Professional Documents
Culture Documents
Mwari anoda kuti tigare murugare uye tichifara muparadhiso pasi pano nokusingaperi! Zvisinei, ungabvunza kuti, Izvozvo zvingaitika sei? Bhaibheri rinoti Umambo hwaMwari huchaita kuti zviitike, uye kuda kwaMwari kuti vanhu vose vadzidze nezveUmambo ihwohwo uye chinangwa chake kwatiri.Pisarema 37:11, 29; Isaya 9:7. Mwari anoda kuti tibatsirike. Sezvinongoita baba vakanaka vanoshuvira vana vavo kuti zvivafambire zvakanaka, Baba vedu vekudenga vanoda kuti tifare nokusingaperi. (Isaya 48:17, 18) Vakavimbisa kuti uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.1 Johani 2:17. Mwari anoda kuti tifambe mumakwara ake. Bhaibheri rinoti Musiki wedu anoda kutirayiridza nezvenzira dzake kuitira kuti tifambe mumakwara ake. (Isaya 2:2, 3) Akaronga vanhu vezita rake kuitira kuti kuda kwake kuzivikanwe pasi rose.Mabasa 15:14. Mwari anoda kuti tibatane pakumunamata. Pane kuti kuparadzanise vanhu, kunamatwa kwaJehovha kwakachena kunovabatanidza murudo rwechokwadi. ( Johani 13: 35) Nhasi ndivanaani vari kudzidzisa varume nevakadzi kwose kwose kuti vangashumira Mwari sei vakabatana? Tinokukumbira kuti udzidze uchishandisa bhurocha rino.
DZIDZA ZVIMWE
Dzidza Bhaibheri nesu. Wakatotanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha here? Kana usati, ungada here kudzidza Bhaibheri? Hapana chaunobhadhara. Uchaona kuti inzira yakanaka yokuti uswedere pedyo naMwari. Kumbira mabhuku usingabhadhari. Unogona kunyorera kukero yakakodzera iri seri kwebhurocha rino wokumbira chinyorwa mumutauro wako chichakubatsira kuti unzwisise Bhaibheri. Dzidza nezvedu paIndaneti. Enda panzvimbo yepaIndaneti inobudisirwa mashoko zviri pamutemo neZvapupu zvaJehovha. Ipapo unogona kuverenga Bhaibheri mumutauro waunonzwisisa uye kuona zvakawanda zvezvinyorwa zvedu mumitauro inopfuura 400 kana kuzvipirinda.
www.jw.org
Denmark
Tinorarama maererano netsika dzinodiwa naMwari. Sokudzidziswa kwadzinoitwa muBhaibheri, tsika idzi dzinotibatsira kuti tifare uye tiremekedze vamwe uyewo tive nounhu hwakadai sekutendeseka nemutsa. Dzinoita kuti pave nevanhu vane mafungiro akanaka uye vane chiyamuro, uyewo dzinokurudzira kubatana kwemhuri uye kuita zvakarurama. Sezvo tiine chokwadi chokuti Mwari haasaruri, tinozviona semhuri yevanhu vomunyika dzakawanda inobatanidzwa nezvatinotenda, isingaparadzaniswi nokusiyana kwemarudzi uye zvematongerwo enyika. Kunyange zvazvo tiri vanhuwo zvavo, tiri boka rakasiyana nevamwe vanhu.Mabasa 4:13; 10:34, 35.
Venezuela
Zvapupu zvaJehovha zvakafanana papi nevamwe vanhu? Zvapupu zvakawana tsika dzipi kubva pakudzidza Bhaibheri?
India
2
Noa
Abrahamu naSara
Mosesi
Jesu Kristu
DZIDZA ZVIMWE Paunosangana nevanhu vatinonamata navo vekwaunogara, edza kuzivana navo zviri nani. Vabvunze kuti: Nei makava mumwe weZvapupu zvaJehovha?