You are on page 1of 3

Chii Chinodiwa naMwari?

Mwari anoda kuti tigare murugare uye tichifara muparadhiso pasi pano nokusingaperi! Zvisinei, ungabvunza kuti, Izvozvo zvingaitika sei? Bhaibheri rinoti Umambo hwaMwari huchaita kuti zviitike, uye kuda kwaMwari kuti vanhu vose vadzidze nezveUmambo ihwohwo uye chinangwa chake kwatiri.Pisarema 37:11, 29; Isaya 9:7. Mwari anoda kuti tibatsirike. Sezvinongoita baba vakanaka vanoshuvira vana vavo kuti zvivafambire zvakanaka, Baba vedu vekudenga vanoda kuti tifare nokusingaperi. (Isaya 48:17, 18) Vakavimbisa kuti uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.1 Johani 2:17. Mwari anoda kuti tifambe mumakwara ake. Bhaibheri rinoti Musiki wedu anoda kutirayiridza nezvenzira dzake kuitira kuti tifambe mumakwara ake. (Isaya 2:2, 3) Akaronga vanhu vezita rake kuitira kuti kuda kwake kuzivikanwe pasi rose.Mabasa 15:14. Mwari anoda kuti tibatane pakumunamata. Pane kuti kuparadzanise vanhu, kunamatwa kwaJehovha kwakachena kunovabatanidza murudo rwechokwadi. ( Johani 13: 35) Nhasi ndivanaani vari kudzidzisa varume nevakadzi kwose kwose kuti vangashumira Mwari sei vakabatana? Tinokukumbira kuti udzidze uchishandisa bhurocha rino.

DZIDZA ZVIMWE
Dzidza Bhaibheri nesu. Wakatotanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha here? Kana usati, ungada here kudzidza Bhaibheri? Hapana chaunobhadhara. Uchaona kuti inzira yakanaka yokuti uswedere pedyo naMwari. Kumbira mabhuku usingabhadhari. Unogona kunyorera kukero yakakodzera iri seri kwebhurocha rino wokumbira chinyorwa mumutauro wako chichakubatsira kuti unzwisise Bhaibheri. Dzidza nezvedu paIndaneti. Enda panzvimbo yepaIndaneti inobudisirwa mashoko zviri pamutemo neZvapupu zvaJehovha. Ipapo unogona kuverenga Bhaibheri mumutauro waunonzwisisa uye kuona zvakawanda zvezvinyorwa zvedu mumitauro inopfuura 400 kana kuzvipirinda.

www.jw.org

Zvapupu zvaJehovha Vanhu Verudzii?


Unoziva Zvapupu zvaJehovha zvingani? Vamwe vedu tingava vavakidzani vako, tingave tichishanda newe kubasa kana kuti tichidzidza newe kuchikoro. Kana kuti tingave takambokurukura newe nezveBhaibheri. Tinombova vanaani chaizvo, uye nei tichifamba tichikurukura nevanhu zvatinotenda? Takangoitawo sevamwe vanhu. Tinobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Vamwe vedu taimbova mune zvimwe zvitendero uye vamwe vakanga vasingatendi muna Mwari. Zvisinei, tisati tava Zvapupu, tose takazvipa nguva yokunyatsoongorora zvinodzidziswa neBhaibheri. (Mabasa 17:11) Takabvumirana nezvatakadzidza, tikabva tazvisarudzira kunamata Jehovha Mwari. Tinobatsirwa nokudzidza Bhaibheri. Kungofanana nevamwe vanhu vose, tinofanira kutsungirira matambudziko uye zvatinokanganisa. Asi nokuedza kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri mumararamiro edu ezuva nezuva, upenyu hwedu hwakavandudzika zvinooneka. (Pisarema 128:1, 2) Ndicho chimwe chikonzero chinoita kuti tiudze vamwe zvinhu zvakanaka zvatakadzidza muBhaibheri.
Taiwan

Denmark

Tinorarama maererano netsika dzinodiwa naMwari. Sokudzidziswa kwadzinoitwa muBhaibheri, tsika idzi dzinotibatsira kuti tifare uye tiremekedze vamwe uyewo tive nounhu hwakadai sekutendeseka nemutsa. Dzinoita kuti pave nevanhu vane mafungiro akanaka uye vane chiyamuro, uyewo dzinokurudzira kubatana kwemhuri uye kuita zvakarurama. Sezvo tiine chokwadi chokuti Mwari haasaruri, tinozviona semhuri yevanhu vomunyika dzakawanda inobatanidzwa nezvatinotenda, isingaparadzaniswi nokusiyana kwemarudzi uye zvematongerwo enyika. Kunyange zvazvo tiri vanhuwo zvavo, tiri boka rakasiyana nevamwe vanhu.Mabasa 4:13; 10:34, 35.

Venezuela

Zvapupu zvaJehovha zvakafanana papi nevamwe vanhu? Zvapupu zvakawana tsika dzipi kubva pakudzidza Bhaibheri?

India

Nei Tichinzi Zvapupu zvaJehovha?


Vanhu vakawanda vanofunga kuti Zvapupu zvaJehovha izita rechitendero chitsva. Zvisinei, makore 2 700 akapfuura, vashumiri vaMwari mumwe chete wechokwadi vaitaurwa nezvavo sezvapupu zvake. (Isaya 43:10-12) Taizivikanwa seVadzidzi veBhaibheri kusvikira muna 1931. Nei takazotanga kushandisa zita rokuti Zvapupu zvaJehovha? Rinozivisa Mwari wedu. Maererano nezvinyorwa zvekare, zita raMwari rokuti Jehovha rinowanika kane zviuru muBhaibheri. Mushanduro dzakawanda zita iri rakatsiviwa nemazita okuremekedza akadai sokuti Ishe kana kuti Mwari. Asi Mwari wechokwadi akanga azvizivisa kuna Mosesi nezita rake pachake rokuti Jehovha, achiti: Iri ndiro zita rangu nokusingagumi. (Eksodho 3:15) Nokuita izvi, akazvisiyanisa navanamwari vose venhema. Tinodada nokutakura zita raMwari mutsvene. Rinotaura nezvebasa redu. Vanhu vekare vakawanda, kutanga naAbheri munhu akanga akatendeka, vakaratidza uchapupu hwokuti vaitenda muna Jehovha. Mumazana emakore akazotevera, Noa, Abrahamu, Sara, Mosesi, Dhavhidhi nevamwe vakabatana negore guru iri rezvapupu. (VaHebheru 11:412:1) Takatsunga kuita kuti chokwadi pamusoro paMwari wedu chizivikanwe, sezvinongoita munhu anopupurira mudare achimiririra munhu asina mhosva. Tiri kutevedzera Jesu. Bhaibheri rinomuti chapupu chakatendeka nechechokwadi. (Zvakazarurwa 3:14) Jesu pachake akati akaita kuti zita raMwari rizivikanwe uye akaramba achipupurira chokwadi pamusoro paMwari. ( Johani 17:26; 18:37) Nokudaro, vateveri vaKristu vechokwadi vanofanira kupupurira zita raJehovha uye kuita kuti rizivikanwe. Izvi ndizvo zviri kuedza kuitwa neZvapupu zvaJehovha.
Nei Vadzidzi veBhaibheri vakazotanga kushandisa zita rokuti Zvapupu zvaJehovha? Jehovha ave aine Zvapupu pasi pano kwenguva yakareba sei? Ndiani Chapupu chaJehovha chikuru pane zvose?

2
Noa

Abrahamu naSara

Mosesi

Jesu Kristu

DZIDZA ZVIMWE Paunosangana nevanhu vatinonamata navo vekwaunogara, edza kuzivana navo zviri nani. Vabvunze kuti: Nei makava mumwe weZvapupu zvaJehovha?

You might also like