You are on page 1of 14

Bere, Tsuro

Nemabhavha
Avo
Ester Chimhenga
Salim Kasamba

ChiShona
Bere naTsuro vaive neushamwari.

1
Tsuro aive
nedhongi
nekabhavha
katsvuku.

2
Tsuro paaida
bhavha hombe
aitokumbira raBere
rine ruvara
rwedenga.

3
Bere aida kuwacha
mbatya mubhavha
rake.

4
Bere akaenda kuna Tsuro. "Ndiri kuda bhavha
rangu," akadaro.

5
"Bhavha rako
rakazvara mwana,"
akadaro Tsuro.
Bere ndokutora
mabhavha ose.

6
Nerimwe zuva
Tsuro
akakumbirazve
bhavha raBere.

7
Bere paakaenda
kunotora bhavha,
nhau yaTsuro
yaisafadza.

8
"Bhavha rako rakafa," akadaro Tsuro. Bere haana
kuzvitenda.

9
Bere akashevedza
mhuka huru kuti
dzione chakwadi.

10
"Zvinhu zvipenyu
zvinobereka
zvinofawo," Tsuro
akatsanangura.

11
Mhuka dzakabvumirana naTsuro. Bere
akarasikirwa nebhavha rake.

12
You are free to download, copy, translate or adapt this story and use the illustrations as long as you attribute in the following way:

Bere, Tsuro Nemabhavha Avo


Author - Charles Katiwa Kiema
Translation - Ester Chimhenga and Mass Tapfuma
Illustr
Illustration
ation - Salim Kasamba
Language - ChiShona
Le
Level
vel - First words
© African Storybook Initiative 2016
Creative Commons: Attribution 4.0
Sour
Source
ce www.africanstorybook.org

You might also like