Professional Documents
Culture Documents
Vamwe vanhu vaive pamusika apa vaitengesa muti, asi muti wavaitengesa hausi
hunowanikwa muzvipatara. Muti wavaitengesa ndiwo unoshandiswa nen’anga. Pamiti
yose yaivepo, yakandiomesa mate mukanwa yaive ndove yenzou. Ndakada kuziva kuti
ndove yacho yaishandiswa sei. Ndakabvunza mukadzi aitengesa ndove yacho
akandiudza kuti ndove yacho inorapa zvirwere zvizhinji. Ndove yacho yairapa munhu
ikasanganiswa mumvura nokunwiwa kana kupisiwa munhu obva afema hutsi hwacho.
Ini ndakabva ndatenga nokuti ndaingobuda ropa nemumhuno nguva dzose.