You are on page 1of 2

Zuva randakaswera pamusika

Musi meChishanu 13 Kurume ndiri kuchikoro, takapihwa basa rekumba rokuenda


kumusika wemabhazi kunowongorora zvinoitika. Zuva raitevera racho ndakapepuka
nenguva dzamashambazhou ndokubva ndatora bhasikoro rangu ndikarichovha
ndakananga kuKudzanai Bus Terminus iri muguta reGweru.

Ndichingosvika pamusika ipapo, chokutanga chandakaona aiva mabhazi. Mabhazi acho


ainge ari gumi nefararira akazara pamusika.Pose pandaitarira paingova namabhazi aiva
nemazita nemavara akasiyana-siyana. Paiva namazita seZUPCO, Mhunga neKukura
Kurerwa.Mabhazi acho aiva namapepa akanamiwa pamafafitera epamberi akanyorwa
mazita enzvimbo dzaiendwa nemabhazi acho. Mazhinji mabhazi, masharu, ainge
achienda kumamisha, sekuBuhera nekwaChihota. Matsva acho ndiwo aienda kunzvimbo
seHarare, South Africa ne Botswana.

Chechipiri chandakaona chaive midziyo yaitengeswa navanhu vainge vari pamusika


ipapo. Paiva nemidziyo yemumba, yekurima neyekuvhima. Pamidziyo yemumba paiva
nemigoti, misika nemahari. Paiva nemidziyo yekurima, paisanganisirwamapadza
nematemo. Vaitengesa zvekuvhima vaitengesa marekeni, uta nemuseve nemakanho.

Vamwe vanhu vaive pamusika apa vaitengesa muti, asi muti wavaitengesa hausi
hunowanikwa muzvipatara. Muti wavaitengesa ndiwo unoshandiswa nen’anga. Pamiti
yose yaivepo, yakandiomesa mate mukanwa yaive ndove yenzou. Ndakada kuziva kuti
ndove yacho yaishandiswa sei. Ndakabvunza mukadzi aitengesa ndove yacho
akandiudza kuti ndove yacho inorapa zvirwere zvizhinji. Ndove yacho yairapa munhu
ikasanganiswa mumvura nokunwiwa kana kupisiwa munhu obva afema hutsi hwacho.
Ini ndakabva ndatenga nokuti ndaingobuda ropa nemumhuno nguva dzose.

Pamusika weKudzanai paivewo nevanhu vaingesawo chikafu. Vaitengesa nzungu, nyimo,


chibage nezvimwe zvirimwa. Vaizvitengesa izvi vanenge vaive hurudza nokuti zvirimwa
zvacho zvainge zvakati dutu kuzara pamatafura avo. Chibage chacho chavaitengesa
chaigona kutengeswa chakakangwa kana chakangodaro chabva mumunda. Ini ndakabva
ndatenga chibage chakakangwa nokuti ndangandanzwa matumbu angu orira.
Ndakazodzokera kumba nenguva yerubvunzavaeni. Ndakanga ndanonoka nokuti
ndakanga ndokanga twunyaya nevanhu vaive pamusika ipapo vachindidzidzisa kuvhima
shiri nerekeni nokuzvirapa nomushonga wavo kana ndarwara.

You might also like