You are on page 1of 5

ZRP TOMLINSON PRIMARY SCHOOL EXAMINATION

GRADE 7 SHONA PAPER 1


MID YEAR 2013

VERENGA NDIMA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO


INOTEVERA.

Paivepo nemusikana munaku ainzi Chipo. Zvechokwadi musikana uyu aive


akaumbwa naNyadenga achida. Rimwe zuva ambuya vake naamai vake, vaigara
kure vakashanyira mhuri yavana Chipo. Ambuya ava vachiona runako
rwomuzukuru wavo vakapindwa neshanje dzaipfuta moto.

1. Akashanya ndiani?
A Chipo B Nyadenga C Ambuya D vabereki
2. Izwi rinoreva Musiki mundima ndi _____________.
A Chipo B Nyadenga C Mwari D runako
3. Chipo aiva ________ .
A chipukandipemwenje B chembere
C ndumurwa D tsvarakadenga
4. Chipo aigara na __________.
A ambuya vake B baba naamai vake
C naNyadenga D vana
5. Ambuya vaive “neshanje dzaipfuta moto” zvakafanana nokuti vaive ne_____.
A rudo B mutsa C runako D godo

SARUDZA MHINDURO YAKAKODZERA

6. Kana mwana mucheche akabuditsa zvaadya nokumuromo tinoti __________.


A arutsa B abukura C asvodza D ahotsira
7. Kana vanhu vakaenda kun’anga kunobvunzira zvakauraya mufi kunonzi
kurova ___________.
A gata B makona C hakata D guva
8. Mwana anofa asati amera mazino anonzi ___________.
A mushakabvu B gambe C rusvava D rushiye

1
ISA MAZWI MUUZHINJI

9. rupasa _________.
A rupasa B mapasa C mhasa D mamhasa
10.rukova __________.
A rukova B makova C mahova D hova
11.guvhu ___________.
A maguvhu B makuvhu C guvhu D tukuvhu

IPA IZWI RINOPIKISANA NERAKAPIWA

12.tsikombi ________.
A pfupi B huru C diki D refu
13.udununu__________.
A usimbe B udzenga C umbwende D ungwaru

PEDZISA TSUMO DZINOTEVERA

14.__________ haarovi chinenguwo.


A vapfumi B mukomana C mutorwa D murombo
15.___________ chokukumbira hachipedzi ndima.
A chikafu B chwimwango C mombe D chibage

VERENGA NDIMA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO


INOTEVERA.

Tozivepi aiva mukomana aifarira zvokuvhima zvikuru. Aiva neimbwa dzake


nhatu dzaiti Guhwa, Mhanda naChinyama. Iye tozivei muriwo waitova
mutupo. Aifarira kuvhima nezvombo zvaiti tsvimba, uta nemuseve.
Aiwanzobatawo mhuka dzakaita semhembwe, tsuro nemhara. Aigara
achingodzimba.

16.Tozivepi aiva mukomana ______________.


A aifarira mitambo B aida zvokuvhima
C aifarira muriwo D aiera muriwo
17.Imhuka ngani dzataurwa mundima?

1
A ina B shanu C nhatu D sere
18.Izwi rinoreva kubata mhuka uchivhima ndi___________.
A mutupo B zvombo C zvikara D dzimba
19.Manzwi okuti “muriwo waitova mutupo” anoreva kuti ________.
A aive asingadyi muriwo B aiera muriwo
C aifarira muriwo D airima muriwo
20.Munhu anovhima zvikuru anopiwa zita rokuti _________.
A hurudza B hombarume C mhizha D nyamukuta

IPA MAZITA EVANA VEIZVI

21.Shumba___________.
A tsvana B mbwanana C mboyi D mhuru
22.Nguruve___________.
A chigwi B chiduwa C nguruve D nhowa

ZADZISA PAKASHAMA NEZWI RAKAKODZERA

23.___________ akaridza mhere zvikuru.


A Patakasvika B Patichasvika C Patazosvika D Parinosvika
24.Mamoyo ________ tichitanhaura nzungu nezuro.
A akawana B achazowana C aizowana D anowana

TSANANGURA ZVINOREVA MADIMIKIRA AYA

Mukuru wechikoro zvaakamira pamberi pavo, vana vose vakabva vati _____.
A tuzu B ziro C tana D peto
25.Sarudzai ane bapu haagoni kurara mumba oga.
A anokara B ane uchpa C ane utsanana D anotya
26.Pakaona Shumba muvhimi akati rutsoka ndibereke.
A akatiza B akakwira mumuti C akafa D akarumwa
27.Kwakapera makore matatu Tambutsai achishaya mbereko.
A ane mwana mumwe B asina mwana C abirwa mbereko D arasha mbereko

SARUDZA MAZWI ANOREVA ZVAKAFANANA


NEAKATARWA PASI.

28.Mukwasha akaombera tezvara.

1
A akamhoresa B akakwazisa C akauchira D akapfugama

29.Zvirimwa hazvina kuita zvakanaka pamusoro pebundo rakashaya akabvisa.


A miti B mashanga C chibage D sora
30.Pamusha paZihuku pane vana vakawanda nekuda kweguru riripo.
A hombe B barika C shanje D kudya

VERENGA NDIMA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO

Ndiri murume ane makore maviri nemapfumbamwe, uye ndakange ndakaroora


mukadzi uyo wandakaita vana vatatu naye. Zvakaitika ndezvekuti ini
nemudzimai uyu takazotadza kuwirirana panguva iyo ndakange ndichishanda
kusvikira mukadzi wacho andipa gupuro. Mukadzi wacho anoshanda. Mushure
mekundipa gupuro mukadzi uyu akabva anditandanisa pamba yatairenda
kuMbare.

31.Nyaya iyo iri pamusoro pei?


A pekudanana B pekuroorana C pekurambana D pekufara
32.Mumhuri iyi mune vana vangani?
A vashanu B vatatu C vana D umwe
33.Kupa munhu mari yokuramba, kupa ________.
A gupuro B makumi
C madhora D roora
34.Chii chakakonzera kupesana mumhuri iyi?
A gupuro B kudzingwa pamba
C kunogara nehama D kusashanda kwemurume

SARUDZA NYAUDZOSINGWI DZAKAKODZERA

35.Mukuru wechikoro zvaakamira pamberi pavo, vana vose vakabva vati ______.
A tuzu B ziro C tana D peto
36. Sekuru vakanhonga badza ravo ndivo _________ vakananga kumunda.
A bara B tande C ngondo D ngandu
37. Nekuda kwembanje yaanogaroputa maziso ake anogara akati _____ kutsvuka.
A kovo B buu C tsva-a D togo

UKAMA

38. Hanzvadzi yaamai vako unoiti ___________.

1
A tete B muzukuru C sekuru D babamunini
39. Munhu wausina ukama naye unomuti __________.
A tateguru B mutorwa C mupfuuri D mukarabwa

SARUDZA CHIREVO CHAKAUMBWA ZVAKANAKA

40. A Ndipeiwo sadza ndiye.


B Ndipeiwo sadza ndije.
C Ndipeiwo sadza ndidye.
D Ndipeiwo sadza ndidye?

You might also like