You are on page 1of 16

ZIMBABWE SCHOOL EXAMINATIONS COUNCIL

General Certificate of Education Ordinary Level

SHONA 4007/1
PAPER 1 Rondedzero neNzwisiso

SPECIMEN PAPER Maawa maviri


Additional materials:
Answer paper

NGUVA: Maawa maviri

RAYIRO KUVANYORI VEBVUNZO

Uchapiwa mapepa okunyorera mhinduro dzako.

Nyora zita rako, nhamba yenzvimbo yauri kunyorera nenhamba yako yawakapiwa somunyori papepa
roga roga remhinduro rawashandisa.

Pindura mibvunzo yose.

Mibvunzo yose inofanira kupindurwa neChiShona chete.

Ukashandisa mapepa anodarika rimwe, asunganidze pamwe chete.

ZIVISO KUVANYORI VEBVUNZO

Zvibodzwa zvakapiwa muzvikomberedzo izvi ( ) pamagumo pechidimbu chemubvunzo, uye


Izvi [ ] panoperera mubvunzo woga woga.

_____________________________________________________________________________
Bvunzo ino yakanyorerwa pamapeji matanhatu nemaviri asina kunyorwa chinhu.
Copyright: Zimbabwe School Examinations Council, Specimen Paper.

ZIMSEC SPECIMEN PAPER [Enda kuseri


2

CHIKAMU I: RONDEDZERO

Zvichakubatsira kuti upedze awa imwe chete pachikamu chino.

Sarudza musoro mumwe chete pane yose yakapiwa. Ugonyora rondedzero yemhando
yawasarudza nemazwi ari pakati pe450 ne500 kana kusvitsa mapeji mana.

1 (a) Girafu rakanyorwa pazasi apo rinoratidza basa rokupfuya nguruve rakatangwa
nevana vepaChemugodo Secondary School. Girafu rinoratidza huwandu
hwenguruve dzavakatengesa mukati memakore matanhatu kubva pavatanga fomu
yokutanga kusvika fomu yechitanhatu vachipedza dzidzo yavo. Ita sokuti ndiwe
mukuru weboka rekupfuya nguruve iri pachikoro apa, ugonyora mhan’aro (ripoti)
kumupepeti wepepanhau reKwayedza pachikamu chezvekurima uchitsanangura
mashandiro amakaita pabasa iri kubva muchitanga kusvika muchipedza,
muchizorisiira vanotevera shure kwenyu.

100
NGURUVE DZAKATENGESWA

80
/DZAKABUDA

60

40

20

2012 2013 2014 2015 2016 2017


MAKORE
[50]

(b) Nyora nyaya inodudzira tsumo yokuti, “Chenga ose manhanga hapana
risina mhodzi.” [50]

(c) Wakokwa semuenzi anoremekedzwa pamabiko ekuonekana nevana


vepachikoro pawakambodzidza vava kupedza chikoro. Chinyora mashoko
auchataura pagungano iri uchipa vana ava chenjedzo nesimbiso
zvinozovabatsira munyika mavava kupinda. [50]
4007/1 SPECIMEN PAPER
3

(d) Nyora tsamba kuMumiriri weDunhu renyu muparamende yokuvazivisa


rubatsiro rungapiwa avo vanorarama nekurima vachidiridza kuti
mabasa avo anyatsobudirira. [50]

(e) Nyora hurukuro pakati pevasikana vaviri vari kukakavadzana pamusoro


pekukosha kwatete mumhuri. Mumwe anoti, tete vakakosha mumhuri mumwe
achiti, vanatete vemazuva ano ndidzo dzave mhutse/mharadzi. [50]

(f) Nyora rondedzero inopera namazwi anotevera, “Kubva zuva iri handina
kuzoda kufamba usiku zvakare.” [50]

(g) Zvakakoshera kurarama netariro kana une hutachiona hwemukondombera.


[50]

4007/1 SPECIMEN PAPER

[Enda kuseri
4

CHIKAMU II: NZWISISO NEPFUPISO

2 Nyatsoverenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo yose inoitevera neChiShona


chakanaka.

Ndinodavira kuti akanga ava kurwadziwa zvakanyanya apo akataura zvakare


neizwi raishoshoma. Ndakanzwira mumwe wangu tsitsi ndikamugumbatira.
Mukoma Gaba akaramba achitaura asi pari zvino akanga asisaiti musere kwete.
Aiva okurukura mashoko akadzama. Mazwi esungano yedu. Matama
aizivikanwa nevapenyu navafi vose veZimbabwe. Aiedza kundikomekedza
kwazvo.

Mashoko ake handifi ndakaakanganwa kusvikira murufu nokuti imbuva


youpenyu hwangu. Akati, “Chionaika Mukoma Shingirirai, ini ndava kukusiyirai
basa rakakosha kwazvo. Basa rokusunungura Zimbabwe. Mushando unorema
samare, asika zviuya zvisiyiranwa. Ini ndavakunosangana namagamba ari
kumhepo. Saka iwe wochiramba uchipfuudzira zvido zvoruzhinji mberi.
Kwete zvido zvako iwe kana kuti zvomuvengi.

Viva Zimbabwe!
Pamberi nokushinga!
Pamberi nechimurenga!
Pasi nevasvetasimba!

“Dai waro, Mukoma Tino, mangopinda muZimbabwe itsva musina kutengesa


zvido zvavanhu. Ini ndinodada nokuti ndafa ndichirema segomo rino iri ratiri.
Zvino kana iwe ukatengesa Zimbabwe kuvavengi, uchapepereka sebepa chairo.
Usaita chivhundukamapete hana yegonzo. Usatsva guni somutakura. Mbuya
Nehanda uye magamba mazhinji akafa achirwa. Nhasi ini ndafa ndichirwisa
muvengi. Ko, iwewo, nhai Komuredhi Tino…too…nga?” Akandandama
achizviruma rurimi. Akandibata zvine simba, akandidana zvakare, “Komu…
Shi… ngi… ri… ra… i Ti… no… to…to…nga Zi… mba…bwe.” Simba
rakapera, akafema katatu, ndiye zi-i akadaro, nokuti mweya wakanga wabuda
maari.

Ndakasara ndichijohonywa-johonywa nokubaiwa-baiwa nemazwi okupedzisira


akanga achangobva mukutaurwa naMukoma Gaba. Ndakatangisa kutaura
neshamwari yangu yandainyatsoziva kuti yatova mushakabvu. “Chinzwaka
Comrade Gabarinocheka, nemi tateguru murere apo, ini ndinotsidzira, pamberi
penyu kuti ndichapfuudzira mberi zvido zvemhomho yeZimbabwe. Imi zororai
zvenyu murugare. Ndicharwa sasahwira wangu uyo akati kwati kumadziro uyo.”

4007/1 SPECIMEN PAPER


5

Iyo shato yacho kana kumboita zvayo hanya neni, inenge yakanga yatokotsira
zvayo sezvo yaiva ichangobva mukusvusvura kwayo. “Ini ndicharamba
ndakashingirira kusvikira tatonga Zimbabwe.” Ndakaradzika shamwari yangu
zvakanaka ndikaita zvose zvinodikanwa pakuchengeta murwi. Ndakambobuda
panze ndichida kumema nokushora kuti kunze kuri sei. Pandakangoona chete
kuti kwakafura mhepo ndakabva ndatora zvombo zvangu uye zvaGaba
ndokusiya ndapfiga bako riya.

Ndaida kupoya nhambo dziripo, ndiyo mhaka ndakakambaira ndichidzika


negomo racho.Ini ndaizviziva kuti magora haabvi pane nyama. Ndaizviziva
kuti kana kwangoedza chete masoja aizonzvera gomo rose achivhima zvitunha
zvedu. Kana vaiwana mutumbi wemuComrade, zvechokwadi, vaipembera
nemisha yose. Chete musi mumwe gava rachadimbura musungo. Pose
pandaifamba apa ndaive ndakazarirwa neshungu kuti shutu. Somurwi ndaifanira
kuputsira shungu muzviito kwete mumisodzi. Sezvo kwaiva nemhindo,
ndaingopuvirawo murimamo. Ndava kumucheto kwegomo ndakagumburwa
ndikarovera paruware, izvo zvakavhundutsa masoja aiva ari seri kwedombo
raiva pedyo napandakawira. Tochi yavavengi yakasanganidzana nedhongi
raitozvirovera zvaro mutsindo pasi richizvidyira mazhanje aro, seri kwedombo.
“A, idhongi nhai! Ngatidzokerei zvedu.” Ndakakwenya mhino nakasiyanwa.
Masoja akadzokera panzvimbo asiwo ndakanga ndanzwa nokutukirirwa.

Kana ndiri seni ndakasvotwa zviya zvokusvotwa, ndikabitirirwa nehasha.


Pfungwa dzorufu rwavamwe vangu uye mazwi aMukoma Gaba, zvakandipa
chivindi chinenge cheshumbakadzi yatorerwa vana vayo, ndikaita zvisionekwi.
Ndakazvongonyoka semhungu ndakananga kuvavengi vangu. Ndaida
kundoshora usavi hwangu.

“Vakanga vakatungidza kamwenje. Ndakaverenga ndikaona sokunge paiva


navarume gumi navaviri. Aiwa kani, seri ikoko zvikara zvakanga zvakapura
nyemba nomusana. Varume ava vakanga vakarasa muswe. Hwakanga huri huchi
hwadonhera pamuromo. Vamwe vaviri ndivo vaivhura magaba. Ndinodavira kuti
akanga ari ebhifi nokuti munhuwi wacho wakanditi kape mumhino mangu. Dai
paiva norufaro ndaidai ndakananzvira nokuti ndakanga ndakwana nenzara.”

(Yakanhadzurudzwa kubva muna Zvaida Kushinga rakanyorwa naC.S. Makari)

(a) Nyaya iyi iri pamusoro penguva ipi munyika yeZimbabwe? (1)

(b) Kubva pamatauriro aMukoma Gaba, chii chinoratidza kuti vainge vava
kutandadza? (1)
4007/1 SPECIMEN PAPER

[Enda kuseri
6

(c) Doma izwi rakashandiswa mundima rinoreva munhu akafa. (1)

(d) Chii chiri kunzi naShingirirai sahwira wake ari kumadziro, mubako
maaiva? (1)

(e) Shingirirai anorevei kana achiti mashoko aive mbuva youpenyu hwake? (2)

(f) Tsanangura zvinhu zviviri zvakapa Shingirirai chivindi chinenge


cheshumbakadzi.
(2)

(g) Kutengesa Zimbabwe kwaitaurwa kwaiva kuita sei? (2)

(h) Tsanangura ndevo dzinotevera sokushandiswa kwadzakaitwa munyaya


yawaverenga.

(i) Zviuya zvisiyiranwa. (2)

(ii) Ndafa ndichirema segomo rino iri ratiri. (2)

(iii) Sezvo yaiva ichangobva mukusvusvura kwayo. (2)

(iv) Kwakafura mhepo. (2)

(v) Magora haabvi pane nyama. (2)

(i) Nyora pfupiso yenyaya iyi nemazwi ako asingapfuuri makumi mashanu. (10)

[30]

4007/1 SPECIMEN PAPER


7

BLANK PAGE

4007/1 SPECIMEN PAPER


8

BLANK PAGE

4007/1 SPECIMEN PAPER


ZIMBABWE SCHOOL EXAMINATIONS COUNCIL
General Certificate of Education Ordinary Level

SHONA 4007/2
PAPER 2: Zvirungamutauro, Misambo yeMutauro neMaumbirwo eMutauro

SPECIMEN PAPER 2 hours


Additional materials:

Answer paper

NGUVA: Maawa maviri

RAYIRO KUVANYORI VEBVUNZO

Uchapiwa mapepa okunyorera mhinduro dzako.

Nyora zita rako, nhamba yenzvimbo yauri kunyorera nenhamba yako yawakapiwa somunyori papepa
roga roga remhinduro rawashandisa.

Pindura mibvunzo minomwe chete.

Ukashandisa mapepa anodarika rimwe, asunganidze pamwe.

ZIVISO KUVANYORI VEBVUNZO

Zvibodzwa zvakapiwa muzvikomberedzo izvi ( ) pamagumo pechidimbu chemubvunzo, uye


izvi [ ] panoperera mubvunzo woga woga.

Bvunzo ino yakanyorerwa pamapeji matanhatu nemaviri asina chinhu.


Copyright: Zimbabwe School Examinations Council, Specimen Paper.

©ZIMSEC SPECIMEN PAPER [Enda kuseri


2

CHIKAMU I

CHIKWATA A: ZVIRUNGAMUTAURO

Pindura mibvunzo miviri muchikamu chino.

1 Mumagariro avaShona, tsumo dzinonyanyoshandiswa pakuraya. Wakanangana


nepfungwa iyoyi, tsanangura kuti imwe neimwe yedzinotevera inoudzwa munhu
achirayirwa kutii pamusana pemararamiro. Sarudza shanu chete.

(a) Nhambetambe inoregwa ichanaka. (1)

(b) Dzivaguru idivakamwe ukadzokazve unowana ngwena dzasvinura. (1)

(c) Chati homu chareva. (1)

(d) Ziso rimwe harina ukomba. (1)

(e) Ane marengenya haachariki moto. (1)

(f) Chisi hachiyeri musi wacharimwa. (1)

(g) Kudya nyemba nevauya dzinowana wadzinozvimbira. (1)


[5]

2 Sarudza madimikira mashanu, ugopa zvaanoreva uchiburitsa muitiro wevanhu


unoenderana nezvisikwa zviri maari.

(a) Kuva nechioko chegudo. (1)

(b) Kusadonhedza minhenga sechapungu. (1)

(c) Kugarira guyo sembwa. (1)

(d) Kungwarira paduri sehuku. (1)

(e) Kuvhiya chidembo pavanhu. (1)

(f) Kuita misodzi yegarwe. (1)

(g) Kubata mwana wengwe. (1)


[5]

4007/2 SPECIMEN PAPER


3

3 Ipa nyaudzosingwi dzinoenderana nezviito zvishanu pane zvinotevera sokuti:


Kudonha kwedamba: do-o

(a) Kupedza zvanga zviri mundiro. (1)

(b) Kubata zvakasimba. (1)

(c) Kurumwa nenyuchi. (1)

(d) Kuchena kwevhudzi. (1)

(e) Kumedza zvinonzwika. (1)

(f) Kusimuka uchikurumidza. (1)

(g) Kushamisika. (1)


[5]

4007/2 SPECIMEN PAPER


Enda kuseri
4

CHIKAMU II: MISAMBO YEMUTAURO

Pindura mibvunzo yose muchikamu chino.

4 (a) Doma misambo yemutauro mina yaunoziva. (4)

(b) Kubva pamisambo yawadoma pamusoro, sarudza mitatu chete ugotsanangura


zvinhu zviviri zvinowanikwa mune mumwe nemumwe. (6)
[10]

5 Kunyange munhu watadzirwa uchinyunyuta pane mutauriro une mutsa pakusvitsa


nyunyuto yako.

Nyatsoverenga tsamba yenyunyuto iri pazasi ugoinyora zvakare uchiita kuti pfungwa
iri muchirevo chega chega ive nemusambo une mutsa.

307 Muuyu Street


Rujeko Township
Madhorobha

22 Kubvumbi 1963

Amai Mandigona

Zana renyu ramakaita ndegerera sesango rerimuka richakupinzai muna taisireva.

Pamba penyu hapana michero here zvamunosiya ziTozivepi renyu richizokushumura


mango dzangu. Vana vangu munoti havadzidi here? Pamusoro pezvo, zana renyu
rakasiya maganga nemashizha zvati mwarara nechivanze. Zvino ini vangu vana
vanhu chaivo vanomirira kuti dziibve vachazodyei iro gudo renyu richikuzhumurira
pasi maganga kudaro.

Amai Nhiya, batisisai yambiro yangu: Mukasauya kuti tizotaurirana muchazviona!

Venyu

Amai Chitatu

[10]

4007/2 SPECIMEN PAPER


5

CHIKAMU III: MAUMBIRWO EMUTAURO

Pindura mibvunzo mitatu chete muchikamu chino.

6 (a) Mazita anoumbwa sei muChishona? (1)

(b) Ratidza maumbirwo emazita anotevera:

chiringiriro muto panze


mwana Gweru tezvara
nyaudzosingwi zigomana denga
(9)
[10]

7 (a) Ronga zvisazitasingwi zvinotevera muzvikwata zviviri zvakakodzera


ugodoma zita rechikwata chimwe nechimwe:

iwe irwo ini iye iko ipo


icho isu imi ivo
(4)

(b) Tsanangura maumbirwo echikwata chimwe nechimwe chawaumba pamusoro,


uchipa muenzaniso mumwe chete pachikwata choga choga. (4)

(c) Tsanangura basa rimwe chete rezvisazitasingwi. (2)

8 Kubva muzvirevo zvinotevera nyukura zviito ugoratidza zvinotevera:

(i) chiito chashandiswa

(ii) mudzi wechiito chacho

(iii) rebeso yashandiswa pachiito ichocho

(iv) zita rerebeso yacho

(a) Mbuya vakabikira sekuru doro. (2)

(b) Mwana wemanyawi uya anoroveka nyore. (2)

(c) Kasikana kakatambisa pamuchato. (2)

4007/2 SPECIMEN PAPER


[Enda kuseri
6

(d) Muvaki achapfurunura imba yedu. (2)

(e) Anosekerera chaizvo nerudo. (2)


[10]

9 Nyora zvirevo uchishandisa dzitsi rechiito /-cheka/ riri murebeso dzinotevera:

(i) yekuitira (2)

(ii) yegoneko (2)

(iii) yekuitwa (2)

(iv) yekonzero (2)

(v) yemherevedzo (2)


[10]
10 Tsanangura nzira yaungashandisa kuti izwi rimwe nerimwe riri pazasi rive
chindori. Shandisa izwi rega rega somuenzaniso.

ini ano chiremwaremwa


gudo vasekuru [10]

4007/2 SPECIMEN PAPER


7

BLANK PAGE

4007/2 SPECIMEN PAPER


8

BLANK PAGE

4007/2 SPECIMEN PAPER

You might also like