You are on page 1of 187

Page | i

MWAN AWA M A I

VANGU

By

FAITH CHIWARA

a.k.a

Lovely Rutendo Nzira

Page | ii
MWANA WAMAI VANGU
Copyright © Faith Chiwara/2018

ALL RIGHTS RESERVED

Faith Chiwara asserts the moral right to be identified as the author


of this work. NO part of this publication may be reproduced, stored
in a retrieval system, or transmitted by any means without prior
written permission of the author. Any abuse or unlawful sharing of
this book will lead to prosecution.

Cover Design by Pearl Press Media


www.pearlpressmedia.co.zw

Interior Page layout by: Mr Blessy [Editor]

Page | iii
ACKNOWLEDGEMENTS
I would like to extend my sincere gratitude to God the
Almighty for the voice of wisdom and knowledge in the
writing of this book. If not for His anointing, nothing would
be as powerful and life changing as it is.
My family, the Chiwara – Panganai, where I was born and
brought up. Am grateful for their love and support over the
years.
My mentors, Apostle Augustine & Pastor Mrs Audrey
Mutanga and Pastor Tichaona Striker & Pastor Mrs Isabel
Machuwaire, for helping me to explain the word of God and
make sense out of it in secular writings. I appreciate the
grooming, teaching, and criticism and the rebuke that they are
putting so much work and prayers into, to shape and sustain
the brand Lovely Rue /Auntie Rue / Sis Rue … Only God can
reward such work.
All my Pastors and prayer partners for the job well done in
grooming me to where I am today.
My sister and friend who did the Social Network
groundwork, Sheila Chimuzinga Charamba. Thank you very
much.
A special acknowledgement goes to my daughter, Tracey
Nyasha, for coming up with this storyline and being the
inspiration behind the story of Mwana Wamai Vangu. Her
witty and creativity is well appreciated.

Page | iv
I also want to thank Mr Blessy for typesetting this work
and Mr Munyaradzi Soka for the cover design.
Many thanks too, to online writers for the support that they
have given me to make my writings a success.
A special appreciation to my Facebook and WhatsApp
Fans, affectionately known as “the free editors.” Our association
has made me grow with every copy written. Keep it up.

Page | v
CONTENTS
ACKNOWLEDGEMENTS...................................................... iv

CHITSAUKO 01 ....................................................................... 1

CHITSAUKO 02 ..................................................................... 13

CHITSAUKO 03 ..................................................................... 25

CHITSAUKO 04 ..................................................................... 37

CHITSAUKO 05 ..................................................................... 50

CHITSAUKO 06 ..................................................................... 61

CHITSAUKO 07 ..................................................................... 71

CHITSAUKO 08 ..................................................................... 81

CHITSAUKO 09 ..................................................................... 90

CHITSAUKO 10 ................................................................... 103

CHITSAUKO 11 ................................................................... 116

CHITSAUKO 12 ................................................................... 128

CHITSAUKO 13 ................................................................... 140

CHITSAUKO 14 ................................................................... 148

Page | vi
CHITSAUKO 15 ................................................................... 159

CHITSAUKO 16 ................................................................... 171

Page | vii
CHITSAUKO 01

Wakange wave musi weChishanu, 14 August apo mhuri


mbiri vekwaDenhere nevekwaMakore vaimhanya mhanya
kugadzira marooro nemuchato zvevana vavo. Mumusha
wekwaDenhere makange musina zvakawanda zvaiitika,
hama dzepedyo dzaive kuAvondale pamba patete mai
Roddie. Vaingofamba famba pasina zvemuchato chaizvo
zvavaironga. Kwaive kuonana nekuwirirana pachavo
paukama hwavo. KwaMakore ndiko kwaive bata mukuru,
bata mupfupi, vachigadzira chivanze chavo chese kuti
muchato ufambe zvakanaka.
Amainini vemhuri iyi vaiziva zvavaiita, vakange
vakarongedza twunhu twavo twekushongedza zvese
zvaidiwa pamuchato uyu. Vaive nezvikwanisiro zvavo zvese
zvaiita muchato ufambe sezvaidiwa nemhuri yekwaMakore.
Madzimai ese emhuri iyi vakange vachiita zvemuchato
vari panze nevaivabatsira kuronga. Varume ndivo
vakamboita nguva vachitaudzana dzemarooro vari mumba.
VaMakore vaive nehama dzavo dzakange dzauya kumarooro
nekumuchato. Rodney aive nasekuru vake baba vasekuru
Danny, uye sahwira wake Albert. Vakaita zvirango zvese
zvekuroora sezvaida vekwaMakore. Mushure meawa imwe
chete vakange vatobatana nevanhu vaive panze kurongedza
muchato. Sekuru Denhere, baba vaDanny vakangomira m ira

Page | 1
kwenguva shoma ndokuoneka voenda kumba kwehanzvadzi
yavo.
Vakasvika ndokupira hama dzavo zvese zvakange zvaitika
pamarooro aRodney. Paisave nezvakawanda zvekutaura
nekuti pakange pasinawo zvakawanda zvakange zvaitika.
Hapana akavapindura kana akabvunza mibvunzo. Ndivo
vega vakazotarisa vanin’ina nehanzvadzi dzavo ndokuti;
“Mangwana ndivanani vari kuenda kumuchato?” Meso ese
akaenda kuna mai Roddie avo vakaramba vakanyarara.
Mai Danny ndivo vakazoti; “Danny nemudzimai wake,
nevamwe vekuchechi kwatete, isu tiri kusara tichiita mabiko
edu pano. Kana vekwaMakore vapedza, iye Roddie achauya
nemwenga wake manheru toita sunrise zvine ruzha
rweduwo.” Mai Danny vakaseka vega.
Baba vaDanny vakabva vati; “Iwe neni tinoenda mai
Danny, Roddie angachata ndisipo sei ini ndirini ndaendesa
mari yeroora? Handitevedze makuhwa enyu vakadzi.”
Mai Danny vakatarisana naBerna vachifunga kudadirwa
kwavakange vandoitwa kwaMakore pavakaendako vachida
kundobatsira amainini vaCindy kurongedza muchato.
Vakasimuk
a vari vaviri ndokufamba voenda kukicheni kwavatete
vavo.
Vese veukama hwekwaDenhere vakange vakagara pamba
apa vachiita zeve zeve. Manheru ndipo pakazosvika Rodney,
Albert nasekuru Danny vachibva kwaMakore. Vakaronga
mafambiro avaizoita pazuva raitevera kuenda kwaM akore
kumuchato waRodney naCindy. Rodney akawana amai vake

Page | 2
vakarara vakazvivharira mumba mavo. Haana kuvatsvaga
kana kuda kutaura navo. Akatandara nehama neshamwari
dzake dzaive panze kusvika kwave kuda kuedza.
Pazuva rakatevera, sekurongwa kwazvakange zvakaitwa,
muchato wakaitirwa pamba pavaMakore. Rodney naCindy
vakachatiswa naMarriage Officer vaMhene vaizivana
nasekuru Danny. Muchatisi ava vaisetsa nekunakidza
zvakanyanya. Vakazopedza muchato mbabvu dzevazhinji
dzave kurwadza. Kana mai Roddie vakange vasvika pamusha
apa vaine hasha neshungu dzekusapinzwa muzvirongwa,
vakange voseka vakagara pakati pemuroora wavo
nehanzvadzi yavo.
Cindy akataura mhiko dzake dzaaida kuvimbisa Rodney
pamuchato wavo. Mai naamainini vake vakachema misodzi
vachipururudza mwanasikana wavo achiita mhiko dzake.
Rodney akaita mhiko achitevedzera zvaitaurwa navaMhene.
Kaviri kese paimbonyararwa, uye vaMhene vaidzokorodza
apo murume uyu akanganwa zvaaifanira kutevedzera.
Vamwe vakaseka kuti akange akadhakwa nekuzeza maziso
echaunga. Asi kutarisana kwaaiita namai vake kwainyora
nhoroondo yaizivikanwa nehama dzavo dzepedyo.
Vanhu vese vakazokorokotedza vanyakuchata,
ndokutorwa mufananidzo vese vese. Apo zuva rakange
rodoka, vanhu vakange vapa zvipo zvavo uye pave
kungoridzwa nziyo dzakanyorovera. Vakuru vese vepadyo
vemhuri mbiri idzi vakapinda mumba vave kuzivana.
Vazhinji vavo ndokwaive kutanga kuonana nekuzivana zviri
pamutemo. Vese vakafara kuziva amai vakange vabereka

Page | 3
mukwasha wavo. Mushure mekuzivana vanhu vese
vakabuda panze pairidzwa mimhanzi, kugochwa
nekunwiwa. Zvipo zvemuchato zvakange zvaiswa zvese
mumba mairara Cindy.
Cindy naRodney vakandovharirana mumba umu
ndokutanga kuvhura zvipo zvese zvakange zvaunganidzwa
pamuchato wavo. Vaiseka nekuverenga zvakange
zvakanyorwa zvakasiyana siyana. Vachiri kudaro pamusiwo
pakagogodzwa, amainini namai vaCindy ndokupinda. Vese
vainyemwerera vakafara chaizvo.
Amai vemudzimai vakasvikoti mari yakange yawanikwa
pamuchato bvuu pamubhedha. Paive nemari dzekunyika
dzese dzakasiyana siyana.
Mai Makore vakabva vati; “We had an interesting day.
Quiet but very
nice.”
Rodney akaseka ndokuti; “This is my first time kunzwa a
wedding day described as ‘a quiet day’. This means there will
never be a noisy, crazy and exciting day in my life.” Madzimai
ese vakasekawo asi mumwe nemumwe akange aine
manzwisisiro ake.
Mainini vakanyemwerera vakatarisa Cindy ndokuti; “You
did well to come back home mwanangu. Life here is favoring
you. Australia kwange kuchakuuraya.”
Mai Makore vakakurumidza kuti; “First world countries
are just too hectic for nothing. Cindy is very fine here.”

Page | 4
Vese vakambonyarara mumwe nemumwe
achitambanudza zvipo zvemuchato. Madzimai aidzvokorana
asi baba vaSharo hapana chavaiona.
Rodney akange achifunga kuti vana ambuya ava
vachakurumidza kubuda agotaura zvaaida naCindy asi
vakabva vagara muzvigaro zvaivamo. Rodney akabva ati;
“Ndiri kuda kukurumidza kurara so that we drive early
morning for our honey moon.”
Amainini vakabva vati; “Muri kuenda kupiko nhai
Roddie?”
Rodney akabata Cindy ruoko ndokuti; “She has to decide. I
booked kwese Vic Falls and Eastern Highlands, but madam
here havasi kutaura kwavari kuda kuenda.”
Rodney akambomirira mhinduro asi Cindy haana k utaura
akabva ati; “Cindy, I want to know where we are going
tomorrow please.”
Cindy akatarisa Rodney ndokuti; “What language do you
understand Rodney if you can’t understand simple English?
Ndakati inini we are not going out of Harare. We can go rest
in any five-star hotel, just away from home and mangwana
tinodzoka……….”
“But why? Inga unoziva basa redu. The Pharmacist
atakasiya anofanira kupedza basa end of this week, otherwise
no profit this month. Saka hatina imwe time for our
honeymoon kunze kwaiyezvino. Inga takange tati
tinongoenda two nights todzoka as early as possible.” Rodney
akadaro akatarisa vana ambhuya vake kuti vamubatsirewo
kutsanangura nyaya yake.

Page | 5
Cindy akafinyama akatarisa Rodney ndokuti; “Do you
want me to neglect my family? Toenda kure kwese uko
tichisiya Leeroy and Chloe? Ko amainini vachiri pano ava,
you and your mother hamusati mavabhadhara for all her
services avakakuitirai for this wedding. Ko my cousins and
relatives vakabva from abroad ndovasiya ndichiti ndiri
kuenda kupi? C’ome on Roddie”.
Amai Makore vakabva vati; “It’s ok vana vangu. Cindy is
right ufunge Roddie. Hamungasiye vaenzi vese……..”
Rodney akatarisa amai vemudzimai wake achishamisika;
“But vaenzi vacho vanoziva kuti vakauya kumuchato. And
they knew kuti sooner or later taizoenda kuHoneymoon. If we
don’t get away now handizowani nguva………”
Cindy akatarisa Rodney kumeso ndokuti; “hapana kwatiri
kuenda end of story. Next issue is, mari yaamainini for the
wedding planning. We all agree kuti she did a great job,
something you and your family never dreamt of. She gave
you a wedding of your life.”
Mai Makore vakabva vati; “Ko iyo mari yemuchato
haikwane here to pay mainini’s bill? Munongovapaka iyoyo?”
“Oooh great, what kind of stupid marriage is this? What
am I even doing here? Mozondiudzawo kana mapedza
kuronga zvese.” Rodney akadaro achisimuka pamubhedha
paange akagara.
Cindy akahutisa muromo akatarisa murume ndokuti; “Are
you for real? Did you just call my mother stupid?”
“No no no. Amai, am sorry kana zvabuda saizvozvo but
handina kudaro. Am just overwhelmed and confused

Page | 6
nezvakawanda zvandinofanira kukuitirai. Am sorry I just lost
it. Ndakaneta. Regai ndimbondozorora. I am so sorry amai,
very sorry.” Rodney akadaro ndokubuda oenda panze
achisiya madzimai ekwaMakore vari vega
Amai vaRodney vakamutevera ndokuti; “Inzwaka
mwanangu, usanyanyoita nharo dzinokonzeresa stress kuna
Cindy. Just be patient naye. Ingoteedzera zvaanoda zvese.”
Rodney akapotsa aridza tsamwa, asi akatarisa amai
Makore ndokunyemwerera achiti; “It’s fine amai, her wish is
my command. Dai ndange ndisingamutereri kana nhasi
tingadai tisina kuchata. And by the way, amainini vagopiwa
mari namai vangu, ini ndave kumboenda kuAvondale.”
“Unodzokaka manheru ano, pane dzimwe nyaya
dzatinofanira kuita semhuri yese.” Mai vaCindy vakadaro.
Rodney asati apindura amai vake vakabva vasvikawo
paive pakamira mukwasha naamai vemukadzi wake.
Vakamboseka vachikorokotedzana nekutaura zvemuchato.
Mai Roddie ndokuzoti; “Ndave kuenda kumba, toonana
mangwana. Ndaneta uye ndave kunzwa musoro.”
Mai Cindy vakabata vamukurungai wavo ruoko ndokuti;
“Kunetaka uku, tinotenda amai, takafara nemuchato wevana.
Asi ndinokumbira pana Cindy be patient naye asaite stress.
Mongotarisawo kana paine zvaanoda. Akaita stress BP yake
inokwira. She cannot handle too much stress, or even anger.
Akatsamwa zvakanyanya anotorwara.”
“Ko Cindy ane BP? Inga achiri mudiki.” Mai Roddie
vakadaro asi mai Cindy vakabva vafamba vachibvapo.

Page | 7
Vese vekwaDenhere, kusanganisira naMarriage Officer
Mhene vakabva vapinda mumota dzavo ndokuenda kumba
kwavo kuAvondale. Mai Roddie vakarohwa nehana vachiona
motikari yaBishop wavo iri pamba pavo. Vakazobuda
mumota miromo yacheneruka, vachifunga kuti vaizoti chii
kuna baba mubhishopu wavo.
Vese vakabuda mumota ndokundokwazisa Bishop wavo.
Bishop akatarisa vaMhene ndokuti; “Oh vaMhene mange
muri kumuchato kwaMakore?”
Rodney akakurumidza kuti; “Oh yes Bishop, vaMhene
ndisekuru vana Makore………. Pindai mumba sekuru Mhene
ndiri kuuya izvozvi.”
Sekuru Danny, nababa vavo sekuru Denhere navaMhene
vakabva vapinda mumba. Mai Roddie naRoddie vakasara
panze naBishop.
Bishop ava vakambotarisa vanhu vaipinda mumba
ndokuzoti; “I was worried kuona vaMhene pano. Havasisiri
Marriage Officer, he was banned nekuti vaichatisa
zvechitsotsi …….”
“Hezvoo….. ko……….” Mai Roddie vakaedza kupindura.
Rodney akabata Bishop ruoko achifamba navo ndokuti;
“Ihama yavaMakore. Pindai mumba Bishop. Ndinotenda
mauya kuzondiona musi wemuchato wangu. I wish things
were different. Upenyu hwangu hwese ndaiona
muchindichatisa imimi. Ndinotenda support yenyu.”
“Chokwadi Bishop tinotenda. Izvozvi chero paGuest list
mange musipo asi mangouyazve nhasi. Rudo rwenyu
rwakaoma.” Mai Roddie vakazodarowo nyadzi dzave shoma.

Page | 8
“Pindai mumba baba Bishop. Tinotenda nekuuya kwenyu.”
Vakadungamidzana vese ndokupinda mumba. Bishop
vakangoita munamato ndokuoneka voenda kwavo.
Pashure vanhu vese vave kundorara, Roddie akati kuna
amai vake; “Ndiri kufuma ndichienda kuHoneymoon
mangwana, so ndichabva pano makuseni kuti tikurumidze
kufamba.”
Amai vakangonyemwerera ndokuenda vondorara.
Rodney, vaMhene naSekuru Danny vakasara vakagara
mumba mekutandarira vachinwa doro ravo. VaMhene
vakazobhadharwa mari yavo ndokushaikwa voenda kwavo.
Vese vakange vagutsikana nebasa ravakange vaitirana
pamusi weMugovera uyu.
Rodney akambotaura taura nevamwe maPharmacists
vaishanda kuMedix Pharmaceutical Company, apedza akabva
azoti kuna sekuru vake; “Handeika kwaMutare
kuHoneymoon. Imimi, neni, nambuya mudzimai wenyu.
Ndambotaura navo mbuya ndichiseka vakaita sevabvuma.
Toenda mangwana Sunday todzoka Thursday.”
“Ko inga uri kutorevesa nhai Roddie. Hauna kupedzerana
naCindy ka iwe” sekuru Danny vakadaro.
“Yes and that’s the reason why ndichikwanisa kuenda
nemi sekuru vangu nambuya vangu, vandinodisa. Not some
strangers from abroad vandisingazive and vandisingade
kuziva. Handei sekuru. Mbuya mai Danny vanosara nevana
venyu.” Varume vakaseka sekuru Danny ndokuti; “Kana
mbuya vako vabvuma it’s ok.”

Page | 9
Rodney akabva abaya baya runhare rwake ndokutanga
kutaura; “Asi warara?”
“Eheka, handiti yatove 10 o’clock here?” Mucha akadaro
achishama n’ai neinzwi rakadzikira. Akabva atizve, “Ndimika
machata nhasi.”
“Usataura zvisina basa. Ndafona kuti ndikuudze kuti
ndichauya kuzokutora early tomorrow morning. Iwewe
nababy wedu. Pack clothes for a five-day trip. Woudzaka
amainini.”
“Unopenga iwe, ko kubasa, ndingangoshaikwa here?”
Mucha akadaro akashatirwa nekuziva kuti Mugovera uyu
waive musi wemuchato waRodney.
“Ndataura navo boss wako, duties shifted. Be ready
handiti?” Rodney akadaro akabata nhare yake achiona
mifananidzo yaMuchayemura naSharon yaivemo.
“Roddie iweeee, unozviititrei usina kutanga wataura
neni?” Mucha akadaro achipererwa nekushaya simba
rekurwa nababa vemwana wake.
“Roddie kuita seiko? Ndinonzi baba vaSharon. Ndiri
kuuya kuzotora Sharon namai Sharon.” Rodney akadaro
ndokubva vambonyararisana, Rodney akazoti zvakare; “I love
you Mucha, very much. Ndinokuda mai Sharon. Chirara, see
you in the morning.” Akabva atsveta nhare yake patafura.
Sekuru Danny vakaramba vakamutarisa ndokudzungudza.
“I know what you want to say. Zvakatononoka. Remember
it’s no longer about vatete venyu, but the business too.
Ndakapindana nedzakawanda nevanhu vekwaMakore so

Page | 10
zvave kunetsa kubuda. Give me time sekuru” Rodney
akadaro.
“Handina problem nekukupa time. Asi Mucha anogona
kuve neproblem nazvo. Achasvika riini achikuterera iwe
uchimurwadzisa everytime. Wakagara mumba nemumwe
mukadzi asi uchimuti ndiye mukadzi wako. Kusvika riini?”
Sekuru Danny vakadaro.
“Ariko wani akandimirira. Siyai nyaya iyoyo.” Rodney
akadaro ndokusimuka ondorara, sekuru vakatevera
mumashure memuzukuru wavo vondorara mum b a m umwe
chete sezvo pamba pange pakawandiwa nemhuri yese uye
madzimai avo vese vaisavepo.
Pazuva rakatevera, Rodney akafumira kumba kwamai
Togara, akawana vamwe vese vaenda kuchechi. Mucha
nemwana wake ndivo vega vaivepo.
“Handeika, I am taking my family on a holiday.” Rodney
akadaro agara pamubhedha Sharon ari pamakumbo ababa
vake achishiringinya nekufara kwakanyanya. Mwana aida
kubvunza kuti ko mudhara seiko kurova kudai, asi
kunyemwerera achikwenya kumeso kwababa vake
ndozvaakakwanisa chete nezera rake.
“Amainini havasi kufara nezvauri kuita. Saka kana
mukadzi wako akazotivinga pano toti chii?” Mucha akadaro
achigara padivi pababa vemwana wake. “Vakangobvuma
havo kuti tiende nekuti havana choice asi vange vasingade.”
“C’me on Mucha, zvese zvaunotaura hazvinei newe izvo.
Ngatikurumidzei ana sekuru Danny vatotimirira kumba

Page | 11
kwavo kuWaterfalls.” Rodney akadaro ndokuswedera kuna
Mucha omutsvoda pamuromo.
Izvi zvakakanganiswa naSharon akavasundidzira vese
achitsunya matama amai vake achivaparadzanisa. Sharon
akasekerera akatarisa baba vake ndokuvatsvoda
sezvavakange vachiita amai vake. Vese vari vatatu vakaseka,
Mucha ndokusimuka ondogeza muimba yekugezera yaive
umu. Rodney akaringa ringa ndokuona mukwende wakange
warongedzwa zvakanaka chaizvo. Akasekerera achitarisa
mbatya dzaive muWardrobe maMucha ndokubudisa
karokwe kapfupi oisa pamubhedha kuti amai Sharo
vazopfeka.
“Ndiri kuda kupfeka jean trousers rangu iri ndingafambe
nekadress ikako here.” Mucha akadaro ave kuzora mafuta.
“Imbonditererawo usina kuita nharo nhai. Tiri kuenda
neDouble cab yamamma. Sekuru Danny will be driving and
mbuya ndovanogara navo kumberi. Isu tiri 3 takagara
kumashure. I want to see your legs, I missed you
Mucha…….” Roddie akadaro ave kuswedera kuna Mucha
uyo akange achizora mafuta akakotama. Mucha akaseka
achitiza opedzisa kupfeka.
Vakabatsirana kurongedza zvese zvavaida ndokuisa
mumotikari yamai Roddie yaive pagedhe pamba apa. Pasina
nguva vakange vave vese mumotikari vananga kwaMutare.
Mumusoro maRodney, ndiyo honeymoon yeupenyu hwake
yaaida.

Page | 12
CHITSAUKO 02

PaSvondo rakatevera mushure memuchato, Rodney,


sekuru vake, navakadzi vavo, vaifara chaizvo kwaMutare
vachiona nzvimbo, makomo aiyevedza ari chitsva mumeso,
vagere muhotera. Rodney naMucha vaive vakasununguka
zvakanyanya vachifamba kwavaida pasina aivaziva kana
kuvabvunza kwavaswera.
Apo akange ave masikati eChipiri Rodney asina kudzokera
kwaMakore, Cindy akatanga kufona fona achitsvaga murume
asi nhare yake yaisabatika. Mai Roddie vakashamisika
chaizvo muroora wavo asingazive kuti murume wake aivepi.
Mupfungwa dzavo vaiti vaviri ava vakange vaenda vese,
sezvaitarisirwa mushure memuchato. Vakatanga kuona
kutsemuka kweimba yakange isati yatombotangwa kuvakwa.
Vega vakabvuma kuti imba iyi yaive mujecha, kana
kwaizouya mhepo yaivhuvhuta, imba iyi yaizorimbinyuka
varidzi vayo vakasara vangove pamhene.
Amai vakadikitira vachifunga kugumbuka kwakange
kwakaita muroora wavo apo akabva pamba pavo achibvunza
kwaive nemurume wake. Pakugumbuka kwake vakange
vaona kuti kana rukudzo kwavari rwakange rwaderera. Kana
kugara vese saamwene nemuroora kwakange kwatotadza
murume wake asipo.
Vakaita hasha naRodney, nekusaterera kwake. Vakazviitira
hasha pachavo vachifunga kuti chii chaive nane kuti Roddie
wavo ochata nekurambana nemukadzi pagore rimwe chete,
Page | 13
kana kuti oroora Mucha wacho waaida asingazikanwi
muupenyu hwavo. Musoro wakapisa nekufunga kuti dai
vakaita sei zvaizodii.
Nemusi weChina manheru, Rodney nemhuri yake
vakadzoka muHarare. Akandosiya vanhu vese kumba kwavo
iye ndokuzoendawo kwake.
“Zvauchandirovesa nemukadzi wako nhai Roddie.” Amai
vakadaro. Rodney haana kupindura akangonyarara
achishama n’ai ndokugara pasofa. Aya akange ave
mangwanani eChishanu.
Amai vakaenderera; “Pawakati uri kuenda kuHoneymoon
ko ndakagoziva here kuti unoenda wega? Ndakanyara
kushaya zvekutaura Cindy achindibvunza kwawaive.”
“Aaah, mamma, since when muchishaya zvekutaura.
Makadii kumuita zvamunoita vanhu vese vekwaDenhere. Dai
makamuti anyatsokuudzai kuti mukadzi rudzii anorega
murume wake achienda ega kuHoneymoon.” Rodney
akadaro ave kunwa juice akaturikidza makumbo.
“Ko vari kutika haude hama dzavo ndodzawakatiza.” Mai
Roddie vakadaro zvakare. Rodney haana kupindura. Amai
ndokuti zvakare; “sei uchiramba uchindinyadzisa kudai nhai
Roddie? Ko mari yaamainini vacho uchavapa riini?”
“Handina mari mamma. Motovapa imimi.” Rodney
akazodaro.
“Asi unopenga? Ndoiwanepi? Wakaona kuwanda
kwemari yacho yavakataura kuti vanoda here iwe? Ndomari
yese iri between me and poverty. Handina that kind of
money.” Amai vakadaro.

Page | 14
Rodney akabva ati; “Ndakakuudzai before the wedding
kuti handina mari yacho. I even asked to postpone but hapana
akandinzwawo. Muchato waive wenyu mamma, pedzeranai
nana Makore.”
“Usaite kunge usingarare naye Cindy wacho nhai.
Mukadzi wako zvatinoziva tese……….” Mai Roddie
vakadaro vakwidza inzwi.
Rodney akaseka ndokuti; “Handina kumbomubata
chibharo ini….. kana auya mubedroom mangu ndoita
sei……………..”
Nhare yaRodney yakabva yarira, akamboita nguva
akaitarisa achiona zita raCindy apo yairira. Akainhonga
ndokuterera kwekanguva ndokusimuka oti kuna amai vake;
“Ndichamboenda kuMandara tindogadzirisa zvakasara after
muchato. Then nhasi is the last day raPharmacist akasara
kuPharmacy yedu kwaMakomva. Zvese izvozvo will take
time.” Mai vaRoddie vakangogutsurira mukomana
ndokubuda oenda.
Rodney akasvika mhuri yese yekwaMakore varipo.
Vazhinji veukama vakange vaenda asi vamwe vakange
vachiripo. VaMakore vakafara chaizvo kuona mukwasha
wavo. Vakabva vamuti; “Ko makangozonyangarika….. I was
frantically looking for you my son.”
“Sorry baba, ndakange ndaenda kumusha. People in the
village were not happy kuti all celebrations akaperera kuno.”
Rodney akadaro akatsikitsira.
“I just wanted to know, what are your plans? Muchagara
kupi as a couple? Both of you makange muchiri mumba

Page | 15
mavabereki, but now you need your own space.” VaMakore
vakadaro.
Rodney akambofunga ndokuti; “KuAvondale is still ok, it’s
just me and my mother. Tinokwanisa kundogara ikoko.”
Mai Makore avo vakange vachangopindawo mumba umu
vakabva vati; “No no no, kuAvondale hakuite. Cindy cannot
tolerate a full house yekwaamai vako iya. Pamba penyu
panongogara pakazara mazivanhu, in and out isingapere.
Who does that in this day and age?”
Rodney akasekerera ndokuti; “Ya, true amai, mazivanhu
acho ndoandaive nawo pese pamainditsvaga.They also
wanted to celebrate my wedding. And they will forever be a
part of me.” VaMakore vakatarisa mudzimai wavo
ndokutarisa mukwasha wavo.
Vakabva vazoti; “Nothing wrong with our people, we love
them. But as newly weds you need your space to start your
whole new life.”
“That’s the point.” Mai Makore vakadaro asi Rodney
akaramba akanyarara.
VaMakore vakabva vati; “so we are giving you our flat
rekuEastlea. It’s a spacious garden flat and I tell you son, you
will love it.”
“Oh, thank you baba.” Rodney akadaro.
“You can go and see, Cindy akatoendesa most of her stuff.
Patakakushaya takangoitawo zvataikwanisa, just helping
Cindy aivepo. Zvimwe mugoita mega.” Mai Makore
vakadaro. Rodney akangotenda zvakare akatsikitsira.

Page | 16
Akazosimudza musoro ndokuti; “Ndave kuenda
kuPharmacy, I have to relieve vandakasiyako. It’s their last
day today.”
Rodney akasimuka ndokuenda mumba makange makarara
Cindy.
“Can we meet kuEastlea at the new house. I heard
wakatorongedza. Ndichauya namamma” Rodney akadaro.
Cindy akamuka ndokugara pasi ndokuti; “Is that all you
can think about? Uchatsanangura riini kuti wavepi, nani
muchiitei?”
Rodney akagara pamubhedha ndokuti; “Ndaive kumusha
nehama dzangu celebrating my wedding.”
“Oh watopedza so………..” Cindy akadaro asina mufaro.
Rodney akafemedzeka ndokuti; “Ndati ndichauya
namamma tozoona kuimba yedu nyowani. Maybe my mother
can help kurongedza one or two things. Can we meet there,
please? Handichada kuramba ndichiuya kuzopiwa mitemo
nekurongerwa upenyu pano.”
“Ko amai vako vanouya kuzorongedzei kumba kwedu?”
Cindy akadaro. Rodney akangodzungudza ndokubuda oenda
kundoita zvekubhizimisi kwake.
Pavhiki yakatevera, Rodney naCindy vakange vadzokera
kubasa kwavo. Uye vakange vogara vese semudzimai
nemurume muimba yavakange vapiwa navaMakore
kuEastlea.
Sevanhu vakange vasina kuwana mukana
wekunyatsozivana, kugara vese ndiko kwakazoita kuti
vazivane. Vaifara vese nekunakidzwa apo vaiudzana zvinhu

Page | 17
zvaive muupenyu hwavo uye zvakange zvaitika vasati
vasangana. Asi kuramba vachizivana nekubudirana pachena
kwakaita kuti vese vaone kuti kushanda vese kwavaiita
ndokwakange kwakanaka. Kuve mudzimai nemurume
vangamisa mhuri vese ndokwavasina kugutsikana nako. Vese
vaive nemibvunzo nekuti zvavaitarisira pakumisa imba
zvakange zvakasiyana chaizvo.
Rodney haana zvaakataura pamusoro perudo rwavo, asi
mukadzi aiedza kuvaka rudo mumba. Aiedza zvese
zvaainzwa nemamwe madzimai kuti zvinoitwa muwanano
kuvandudza rudo mumba.
Asi Rodney aiziva zvaida mwoyo wake, zvaisada
kuvandudzwa kana kunatsidzirwa, zvaingovepo uye
aigutsikana nazvo. Pamoyo pake pakange pakanyorwa zita
remukadzi mumwe chete, hapana chaizoshandura mafungiro
ake aya.
Chimwe chinhu chaiitika mumba mababa namai Denhere
ava, pakupera kwevhiki kwega kwega mumwe nemumwe
aienda kumba kwamai vake. Hapana aida kuenda kumba
kwavabereki vemumwe uye vese hapana akada kutaura
nezvazvo. Masahwira avo akange akasiyana zvakare, haana
aida kushingirira kuenda nemumwe kwaaitandara. Rodney
aida ruzha, matumbu nemaguru zvekuGhetto. Cindy aida
kumahotera kwainwiwa zvinodhura vanhu vakadzikama.
Pauviri hwavo hapana akada kuenda nemumwe.
VekwaMakore vakatanga vachibvunza mwana wavo uye
kufonera mukwasha vachimudaidza, asi vakazosiyana nazvo.
Vakange voti kana vana vavo vakauyawo vese vongofara,

Page | 18
kana vasinawo hapana aibvunza vaingoita zvavaida newavo
mwana.
Mai Roddie pavakashanyira vana vavo vakandoitirwa
nharo nekurambirwa zvese zvavaitaura nazvese zvavakapa
muroora kuti arongedze mumba make, vakasiyanawo nazvo.
Vakarega kushanya uye vakarega kudaidza muroora wavo.
Mai Makore namai Roddie ndivo vaitosangana kakawanda
apo vaiita misangano yemabhizimisi nezvimwe zvaiita
madzimai emuguta. Asi vaitaura nezvekuwirirana kwavo.
Vese vakange vasina kusununguka pamusoro pevana vavo.
Mumwe nemumwe pane zvaakange asingade kubvunzwa
kana kubuda pachena pamusoro pemwana wake. Saka
mumwe nemumwe akagara nekatundu mumoyo make,
kaizivikanwa naMwari chete.
Mushure memwedzi mina muchato wapfuura, waive musi
weMugovera masikati apo Rodney naCindy vaivhara
Pharmacy yavo paMakomva. Semaitiro avo mazuva ese,
Cindy aibva apa achinanga kuMandara kumba kwavabereki
vake, Rodneywo sekuziva kwaCindy aienda kuAvondale
kwaamai vake.
Cindy akatyaira motikari yake ndokuenda, Rodney
ndokunangawo pamba pamai Togara apo akandoona m wana
wake. Sharon akafara kuona baba vake, pasina nguva m wana
akange agara pamakumbo ababa vake. Musi uyu
Muchayemura aipedza basa na6 manheru uye mangwana
acho Svondo aishandazve. Mai Togara vakagezesa muzukuru
wavo ndokumurongedzera kuti aende nababa vake.

Page | 19
Rodney naSharon vakabva vabuda, Sharon achipota
achicheuka kutarisa mbuya vake namainini vake kuda
kuendawo navo. Asi baba vaSharo vaive nezvakawanda
zvekumupa zvaimunakidza. Pasina nguva vange vave
mumota ave kuwedzera ruzha rwemumhanzi vese
vachitamba. Vakabva vananga kuMedix Pharmacy kwaive
namai vake. Vatatu ava vakambotandara vese vakamira
muchitoro umu. Sharon aimhanya nzvimbo yese bab a nam ai
vake vachiita majana kumutevera.
“Mucha uri kudiwa kuTill pave nevanhu vakawanda.”
Mumwe aishanda naMucha akadaro.
“Duty calls. Ndokuonai…….” Mucha akadaro kuti
achienda kubasa rake.
“Ndakamirira sekuru Danny tataurirana kuti tisangane
pano then tozoenda tese kuAvondale. And iwewe, I will wait,
tizotaura about Sharo’s first birthday.” Rodney akadaro
achirova Mucha magadziko, mai Sharo ndokunyemwerera
vachifamba voenda kubasa.
Sharon akaramba akamira akatarisa amai vake vachienda,
akadhonza baba vake kuti vatevere vese asingade kuti
vaparadzane. Akange ave kutoziva kuti kana baba vauya
kuzomutora pane kwavaienda vari vega amai vachisara.
Rodney akabata mwana ruoko ndokucheuka kuti
ambobuda panze. Akabva ati dhuma dhuma naCindy
achipinda muPharmacy umu.
“Oh honey you are here?” Cindy akadaro achinyemwerera
akatarisa murume wake.

Page | 20
Rodney akanyemwerera achiregedza Sharon uyo akabva
amhanya kwaive negirazi rekuzviona paine mafuta ekuzora
akasiyana siyana aitengeswa umu.
“Daddy, hona daddy” Sharon akadaro akazvinongedza
mugirazi.
“My little girl, huya tione.” Sekuru Danny vaivewo
kumashure kwaCindy vakadaro ndokusimudza Sharon
ndokunongedzawo mugirazi muya. Sharon akatarisa
mugirazi ndokuti; “Sharo nashekuyu, hona daddy,
shekuyu……..”
Sekuru Danny vakatarisana naRodney uyo akatura befu,
vakabva vati kuna Cindy; “Muzukuru zviri sei?”
“Am fine sekuru, ndauya kuzotenga some things here, tiri
kuenda kugirls night out.” Cindy akadaro achikwazisa
Danny.
“Mwana wenyu here uyu sekuru? I don’t really like kids
but this one is adorable.” Cindy akadaro achibata Sharon.
Cindy akaenderera; “Ko imi sekuru munozvara mwana
akafanana natete venyu kudai why? Kuita mai Roddie chaivo,
nekachiuno kakamira mwana mudiki so…………”
“Ndiamwene vako vauri kudaro ivavo.” Rodney akadaro
achiratidza kusvotwa.
“Ko ndanyepa here, everyone calls her mai Roddie. She has
an African body, beautiful though. Anonzi ani?”
“Sharo…. Sharo wadaddy ‘angu.” Sharon akadaro
achizvidavirira zita rake ave kusaidzira sekuru Danny kuti
aende kuna baba vake. Sekuru Danny vakafamba nemwana
vachibva apa vobata bata zvinhu kuti mwana avarairwe.

Page | 21
“That baby is adorable Roddie…” Cindy akadaro
ndokuseka oenda kuTill kundotenga zvinhu zvake.
Vakasanganidzana maziso naMucha uyo ange akatarisa
vanhu vekwaDenhere ava. Rodney akaramba akamira
achishaya kuti oenda kuna sekuru here kana kuti otevera
mukadzi wake akange aenda kuna mai vemwana wake. Izvi
zvakaita kuti anamire paakange akamira.
Cindy akabva adzoka ndokuti; “See you tomorrow darling.
Nhasi ndiri kuita girls’ night out nanaAudrey.” Cindy
akadaro ndokutsvoda Rodney padama akamumonera chiuno.
“Ok, enjoy……..” Rodney akadaro ziso riri kuTill kwaive
naMucha. Cindy akazviona ndokutarisawo.
Akabva ati; “You know what, ndambofunga kuti it’s my
imagination but, that lady kunditarisa kwake kunge
tinozivana. Why is she looking at us in that ugly way?
Hezvo.”
“Waakunonoka, chienda wena. See you tomorrow then.”
Rodney akadaro.
“Ok sweetheart, have a lovely weekend.” Cindy akadaro
ndokubuda ananga kumotikari yake.
Danny akabva adzoka paive nemuzukuru wake, Rodney
akati; “Sekuru udzai mai Sharo kuti tichauya kuzomutora
kana achaisa. Tave kumboenda kuIce cream kuWimpy’s
naSharo.”
Rodney akadaro akarembedza musoro achitadza
kutarisana naamai vemwana wake. Vakafamba chinyararire
ndokundogara pasi voita zveIce cream.

Page | 22
“Wange wapinda ma1 ka baba vaSharo.” Danny akadaro
ndokuseka chaizvo. Rodney akangodzungudza
ndokunyarara.
“But I still don’t get it, uri kuregerei kungomuudza Cindy
uyu? Tell her I have a daughter. Unovanza munhu kusvika
riini?” Danny akadaro zvakare.
“It’s none of her business.” Rodney akadaro ndokubata
maoko emwana akange ave kumudyisawo ice-cream
achimuzora kumeso kwese.
Danny akati zvakare; “Ndakakuudzaka kuti she was
complaining kuti you are not romantic, unongoita serobot
mumba. Hanzi kunge ndinogara nasekuru vangu mudhara
baba vaamai.” Varume vakaseka chaizvo vese.
Rodney akambofunga ndokuzoti; “Sekuruka, kutaura
chokwadi Cindy anoedza kuita zvese romantically as a wife
but ……….. it’s not meant for me. Handisini murume wake.
Imagine ipapa, I will be with Mucha the whole time. Sunday
night ndonzi play husband, ini ndakatozvimbirwa namai
Sharo. Handizvigone ini.”
Danny akabva ati; “We need closure, imagine
muPharmacy dai ndange ndisina kupinda? Wakambofunga
kuti anoita sei kana akaziva nezvaSharo?”
“I don’t care.” Rodney akadaro.
“Better start to care.” Sekuru Danny akadaro ndokutarisa
nhare yavo ndokuti; “Hanzi namai Sharo chiuyai.”
“Kana message yatumirwa imimi, it means inini
ndakatsamwirwaka nhai sekuru.” Rodney akadaro
achisimudza mwana wake.

Page | 23
“Ehe tsamwirwa ugadzirire mumba mako haunzwisisi
iwe.” Vakasimuka vese vodzokera kuMedix kwaive naMucha.

Page | 24
CHITSAUKO 03

Pavhiki yakatevera Sharon akapedza yese achigara kumba


kwambuya vake kuAvondale. Pano neapo vaibvunza
pamusoro pamai vemwana asi Rodney akange asingade
kutaura nezvaMuchayemura. Aive nezvake zvaimunetsa.
Amai vake vakange vamukanda murutsva vakamusiyamo.
Mupfungwa dzake hapana chavakange vachakwanisa kuita
kuti abudemo, aida nguva chete yekuona zvaiitika muupenyu
hwake.
Kuramba achirwadzisa Mucha nekumuudza kuti anomuda
zuva nezuva asi vasingakwanise kuve vese, kwakange
komuonza. Mucha aiziva kuti baba vemwana vanorara
vakagukuchirwa nemumwe mukadzi, Rodney ainyara nazvo.
Aivhiringika nekuti Mucha aive munhu akanyarara uye
akapfava, mupfungwa dzake aifungei? Aizomirira kusvika
riini?
PaMugovera wakatevera, ndiro raive zuva raisvitsa Sharon
gore rake rekutanga aberekwa. Rodney akandotora mwana
masikati eChishanu kubva kuGlen View kwambuya vake.
Mhuri yese yekwaTogara yaivepo.
“Mucha, I thought it was obvious tiri kuenda tese.
Ndingaitire mwana birthday party amai vake vasipo here?”
Rodney akadaro akatarisa mwana wake. Vakange
vasingacharongedzeri mwana, kwana mbuya vese kwakange

Page | 25
kuine zvikwanisiro zvekuti mwana paaisvika aipfeka, kudya
nekunwa.
Muchayemura paasina kupindura, mai Togara vakabva
vati; “Dai vari mbuya vaSharon vadaidza Mucha kuda
taitsigirawo kuti muende mese. Zvavakauya vakaita pano
zvinoda kuti ivo vamene vaite reverse. Ko vakasvika
vakamudzinga futi todii?”
Rodney akabwaira bwaira akabata ruoko rwemwana
kunge aitsvaga kusimbiswa nekupupurirwawo naye. Rodney
akatarisa Mucha achida kuti azvitaurire iye ega asi Mucha
akaramba akanyarara.
Rodney akange ave kushatirwa ndokuti kuna Mucha;
“Mucha iwewe are you serious kuti ungarambe kuve part of
your first daughter’s first birthday celebrations, what kind of
a mother are you?”
Mucha akahutisa miromo, misodzi ndokuzara mumaziso;
“What kind of a father are you? Anochata nemumwe mukadzi
amai nemwana wake varipo? Achingoramba achinyepa kuti
anovada? Uri kuda kuti ndikavhire kutadza kwako to do the
right thing? Kana akura, ave kuona mafotos epaBirthdaya
rake, unofanira kuzomuudza kuti amai vake ndaivepi.”
Mucha akasimuka ndokupinda mumba make mokurara.
Rodney akashama muromo ndokushaya zvekureva.
Pave paya akati kuna mai Togara; “Ko ndaifunga kuti
Mucha is happy and comfortable nezvandiri kuita. Nhai
mbuya vaSharon, itaiwoka kuti Mucha anzwisise kuti ndiri
kuedza. Ndofanira kuita sei kuti aone kuti I am doing my
best.”

Page | 26
Mai Togara vakakosora kosora ndokuti; “Akomana imi
woyeee, kana naiyewo ari kuedza, zvakaoma kuitwa gara
ndichauya.”
Rodney akasimudza mwana wake ndokusimuka achiti;
“Ndave kuenda” akafamba ndokusvika paveranda, akadzok a
ndokupfuura nemumba makange makagara mhuri iyi oenda
kumba kwaive kwaenda Mucha. Akasvikowana Mucha
akarara akatarisa mudenga.
Vakagara kwenguva vakanyararisana, Mucha ndokuzoti;
“Endaika muchiri kuiteiko pano?”
“Usadaro shamwari, unoda kuti ndiite sei?” Rodney
akadaro ave kubata Mucha maoko.
“Unobvunzirei zvaunoziva kuti even ndikati ita hauite.
Endai kumusha kwenyu. Ivo Mrs Rodney Denhere havasi
kuenda kumushawo here?”
Rodney akadzungudza ndokuti kumwana wake; “Handei
my rose of Sharon. Let’s go girl.” Rodney akasimudza mwana
uyo akabva akwira sekatsoko ndokuzozorora ave pamfudzi
ababa vake. “Bye mummy.” Sharon akadaro achisimudzira
amai vake ruoko ndokubuda voenda.
Rodney namai vake naSharon vakaenda kumusha kwavo
kwaSeke nehama dzavo dzaigara muHarare.
Vakandopemberera kusvitsa gore rekutanga kwaSharon.
Musi uyu vakafara zvavaida. Pano neapo vakuru vaibvunza
kwaive naamai vemwana uyu, uye vaibvunza mudzimai
akachata naRodney. Izvi zvaiitwa muzevezeve kuti vatete mai
Roddie vasazvinzwa nekuti nyaya yevakadzi vaRoddie
yaivapa hasha dzechimbwamupengo.

Page | 27
Rodney akange anyengerera Mucha kuti vaende vese asi
mukadzi akange aramba. Izvi zvakamushaisa mufaro nekuti
zvizhinji zvaaiti Mucha aite zvaingoitwa pasina nharo. Kuna
Cindy vaigara semaroja maviri muimba imwe chete. Hapana
chaaitarisira kuti dai Cindy amuitira semudzimai wake,
hapana chaaironga naye kuti vaite vese. Zvese zvaida kuitwa
nemunhukadzi muupenyu hwake, kusanganisa nebonde
chairo, zvaibva kuna Mucha.
Cindy akange ogara achipopota nekumuyeuchidza kuti
aisamutora semudzimai wake. Bva Roddy wacho, zvaaitaura
kuna Mucha ndozvaaitaura kuna Cindy, aida nguva kuti
pfungwa dzake dzigadzikane agosandura magariro ake. Cindy
aitsigirwa navabereki vake kuti agare zvakanaka nemurume,
uye vaifara kuti Rodney akange asingashushe mwana wavo.
Wavo mwana ndiye wavaitogarobhabhadzira kuti asaite
bongozozo. Sezvo vasirivo vaigara nemurume, vakange
vasinganytsonzwisisa zvaireva Cindy. Asi vaiziva kuti yaive
nguva yevaviri ava yekudzidzana nekunzwisisana.
PaSvondo rakatevera, musi weChipiri kuPharmacy
kwaRodney naCindy vaishanda zvakanaka chose nevamwe
vashandi vaviri vechikomana vaivabatsira.
Cindy akambobuda panze achindotenga zvekunwira
nwira muSupermarket yaive padyo. Aidawo kunzwa mhepo
sezvo musi uyu vakange vashanda zvakanyanya vachiwana
mishonga yaiunzwa muPharmacy mavo.
Paakangobuda, Rodney akabva afonera Mucha; “Mai
Sharon, unditumirewo maFotos aye ese ataive kwaMutare.
And ndiri kuuya kulunch, to show you all epaBirthday party.

Page | 28
Ubike maguru negreen veggie.” Rodney akadaro achiseka
naamai vemwana wake.
“Ah iwe, anonoka kuibva, ndokuitira chicken or fish.”
Mucha akadaro vave kurwirana nhare naSharon.
“Ndozvandinodyiswa everyday uko kwandinogara. I want
something new. Please Mucha, ok or liver hayo. Then maguru
mangwana.” Roddie akadaro ndokuita ruzha rwekutsvoa
murunhare.
“Ok, ndichaona kuti ndobikei………………” Mucha
akadaro fone yakange yabatwa naSharon ave kuita ruzha
rwake nababa vake, vaitaura nekuseka zvavainzwisisana vari
vaviri. Mucha akatanga kumhanya mhanya ave kubika kudya
kwababa vaSharo.
Rodney akaramba achiseka nekudaidza zita remwana
wake panhare, Sharon achidaidzirawo “daddy huya” ari
kwaari. Pakapinda Cindy achidzoka kwaakange aenda,
Rodney akangonyaradza nhare yake pasina kuoneka, Sharon
ndokuridza mhere achipotsera amai vake nehare yavo
yaaitsamwira kunyaradza baba vake kwayakange yaita.
“Hie babes, I am meeting some friends for lunch in town,
ndinodzoka kuma past 3.” Cindy akadaro. Rodney
akangogutsurira ndokusimuka ave kusiya Cindy
kuDispensary achindotarisa imwe mishonga yairongedzwa
nevaishanda umu.
Mukomana aishanda umu akabva adaidza Rodney achiti
aidiwa parunhare rwebasa. Rodney akandotaura kwenguva
pfupi ndokuenda paive naCindy ndokuti;
“Ndichambondotora order yedu kuTown, Havana transport

Page | 29
so I have to go get it. Ndichaendawo nekuMedix Private
Hospital. Wozoenda kuLunch as soon as I come back.”
Cindy akanyemwerera ndokutsvoda Rodney uyo akabva
abuda.
Rodney akatora makey emotikari yake ndokufambisa
achibuda. Cindy akatarisa ndokuona nharembozha yaRodney
yasara pakatafura kaive seri kwavaishandira. Akatevera nayo
ndokuwana Rodney atobuda nemota ave kumugwagwa
mukuru. Akadzoka ndokuitsveta patafura payaive,
ndokumbotengesa mishonga kuvanhu vakange vaita raini
vabva kwachiremba.
Paakange otengesera munhu wekupedzisira, munhare
yaRodney makapinda mameseji akange akawanda chaizvo
zvekuti fone yakaita seyairira zvekufonwa idzo dziri tsamba
dzepaWhatsApp.
Pakutanga paive nemashoko aiti; “The honeymoon fotos
you asked for, us and our rose of Sharon.”
Yaive mifananidzo yaisvika zana, paive naRodney, Danny,
mudzimai waDanny, nemumwe mudzimai wechidiki aive
pese pese nemwana. Vavairi ava vaive vakangogukuchirwa
naRodney. Mifananidzo yemumba mekurara muhotera,
pamwe mukadzi uyu naRodney vakatoshama. Pamwe
vakamira vese Rodney nemudzimai uya vachitora
mufananidzo kubva kugirazi raive kumadziro vakashama
vese.
Cindy akatarisa zvese akaita kunge aiona Tv, muadzi uyu
aive wechidiki akanaka chaizvo zvekuti Cindy neganda rake
raaizora zvinodhura akaita shanje. Akazvitarisa akatarisa

Page | 30
mukadzi uya akafunga kuti Rodney aivaona sei, mukanwa
make makanhuwa ropa neshanje.
Akaswededza kumeso kwaMucha padyo achifunga kuti
akamboona munhu uyu kupi…….. Hoooo, ehe ndiye
musikana uya wekuMedix Pharmacy aimutarisa neziso
dzvuku. Mwana ndiye ainzi mwana wasekuru Danny
……….. akadaro ndiani? Ndiye Cindy akange angotaura ega
kudaro, vese sekuru Danny naRodney haoana akange ataura
kuti mwana uyu aive ani. Varume vakange varamba
vakanyarara. Asi mwana uyu akange adaidza daddy
zvakanyanya akatarisa Rodney.
Cindy akavaviwa mumuromo nehasha. Akaramba
achivhura nhare yaRodney akaona mifananidzo yemwana
uyu yakatowanda, yekumusha, hama dzakasiyana siyana
nemwana uyu. Akaonawo mwana uya ana mai vaRoddie
kuAvondale.
“Iwe Munyaradzi uya pano.” Cindy akadaro ave kudaidza
mumwe wevakomana vaishanda apa.
“Uyu anonzi ani zviya?” Cindy akadaro achiratidza
mufananidzo waMucha panhare.
“Ndi Muchayemura Togara.” Munyaradzi akadaro
asingazive chaaibvunzirwa. Pakaramba Cindy kanyarara
akatarisa Mucha, Munyaradzi akabva ati; “Anoshanda
kuMedix Pharmacy mutown.”
“I know!” Cindy akadaro achiruma miromo yake.
“Anogara kupi?” Cindy akabvunza zvakare.
“Paseri apo….. pa1532 pane garden yemuriwo hombe
chaizvo neimba yelight green.” Munyaradzi akadaro. Cindy

Page | 31
akafunga kuti Rodney anosifamba nguva dzebasa achienda
nemugwagwa iwoyo. Ndokwaanenge achienda nhai. Saka
vanhu vese vepaMakomva vaizviziva iye ega ndiye aisaziva?
“Ko makadii kundiudza kuti musikana uyu ihure
raRodney?” Munyaradzi nemumwe wake vakatarisana pasina
ataura chinhu.
“Answer me or you are fired!!” Cindy akazhambatata.
“Ta…. Taifu….. taifunga kuti munozviziva nekuti
makauya vatove nemwana wavo uye vave kutoda kuroorana.
Vanhu vanoti ndimi muri kuvatadzisa.” Munyaradzi akadaro
ndokufamba achibuda panze.
Cindy akanhonga zvakare nhare iya ndokudzokorora
kuona mifananidzo iya. Ainyanya apo Rodney naMucha
vakange vasina kunyatsosimira.
Akabaiwa moyo nekuti naRodney vakange vasina
kumboita zvakadai. Akaona mumwe Rodney waasingazive,
apa akaona a sweet and romantic, passionate, Rodney
aimonera mukadzi kunge achamudya. Mumba mavo Rodney
aive akatonhora achimuita sehanzvadzi yake.
Aive neiko Mucha uyoyu chaiita kuti Rodney akanganwe
Cindy waakachata naye waaigara naye? Cindy ndiye aiisa
mifananidzo yake paProfile paRodney paWhatsApp, saka
vanhu ava vaingotaurirana iye aripo panhare yaRodney
saMrs Denhere? Vairevesa?
Nhare yaRodney yakabva yarira, ichiratidza zita rekuti;
“Pretty Mucha”. Cindy akaridza tsamwa ndokudavira, Mucha
akatanga kutaura asati anzwa kupindurwa kwenhare;

Page | 32
“Maaona here mafotos, ndiwo ese. Amai vati muprinte ese
tiise muAlbum, akanaka.”
“Nhaiwe Mucha, uchazoziva riini kuti Rodney is a married
man? What is your problem? Ndiri kuuya ipapo now now.”
Cindy akadaro achihutisa miromo nehasha. Runhare
rwakabva rwanyarara.
Cindy akapwanyira nhare pasi ndokuitsika nemunongoro
wegogo waakange akapfeka. Akabva abuda ndokundopinda
mumota yake akananga paTogara paakange audzwa.
Mucha akakanda nhare hana ichirova ikazobatwa naMary
kuti isadonhera pasi. Mary akatarisa nhare nekumboterera asi
pakange pasisina munhu.
“Mukadzi waRodney ati ari kuuya pano izvozvi
mumuudze kuti handipo.” Mucha akadaro mabvi apera
simba nekutya.
“Ko unogovhundukei? Mazuva ese ndaikuudza wani kuti
siya murume wemunhu. Dai akakurova, kuda ungangwara
ukamuka kuhope dzerudo rwenhema rwaunopusiswa nababa
vaSharon. Uri benzi. Mupedzerane, ini handipo, handingaita
upenyu hwekutukwa nevakadzi vekwaDenhere sekuti
ndokune varume kwega.” mai Togara vakadaro
ndokusimuka vosimudza muzukuru wavo vopinda mumba
mavo mekurara.
Mary akabva ati; “But Mucha iwewe dai watofara. Secret
iya is out. Rega auye timuudze zvese zvaari kuvanzirwa
naRoddie. Kana akatsamwa acharamba murume, iwe
naRoddie mochata hela heeeeela” Mary akaseka achisvetuka

Page | 33
kundodongorera pahwindo ndokuona motikari yakamirapo,
Cindy ndokubuda ouya kumusuwo wavo.
Mary akatarisa Mucha ndokuti; “Iwe unyarare
ndipedzerane naye inini.” Mary akadaro ndokubva
andovhura musuwo Cindy asati agogodza.
“Titambire mai Denhere. Mauya kuzoona Mucha? Gore
rese mufunge takangokumirirai, garai apa mainini vaSharo.”
Mary akadaro. Cindy akaramba akamira, aifemedzeka
neshungu.
Cindy akatarisa Mucha ndokuti; “Can you just respect m y
marriage and leave my husband alone. He is married!
Married! That is if you know what that means.”
“Nhai mai Denhere, makambotionawo kumba kwenyu?
Zvino kana musingagone kuraira munhu wamunogara naye,
mungazogona isusu veku next door?” Mary akabvunza.
Cindy akabva ati; “Why is it Roddie wacho haambotaura
nezvako or even about your baby? Why are you such a secret?
Is a baby supposed to be a secret? What’s your story?”
Vese vakambonyarara, vanasikana vekwaTogara vaifunga
kuti Cindy akange auya kuzorwa navo nekuvatuka.
Paakaramba achinaisa mibvunzo asisina hasha uye adzikama
vakambopererwa.
Mucha akandandama achiti; “Dai mangobvunza Rodney
wacho mapedzerana ikoko.”
“No, I want to hear from you. Zvandichandobvunza my
husband is none of your business. Ndiwe unoziva kuti
ndiriko Mrs Denhere, why are playing hide and seek with m y
husband?” Cindy akadaro zvakare.

Page | 34
Mary akabva ati; “Ndopamuri kurasika ipapo, maFotos
amaona ane mwana ari older than your marriage. Mafotos
ayo anokuudzai nyaya zviri nani than isusu. Mega hamuone
kuti murume wenyu ane mhuri pano here? Endai
mundomubvunza.”
Cindy akafinyama ave kugumbuka ndokuti; “Stay away
from my husband.” Akatendeuka kuti achienda.
Mary akabva ati; “But nhai mai Denhere, maFotos am aona
ayaaa, heeeey zvakaoma wena. They tell a serious love story.
And maona dzinza rese rekwaDenhere nemuzukuru. How do
you sleep at night muchiziva kuti murume akarara padivi
penyu haakudei? Now that you know for sure kuti mumoyo
make mune mumwe mukadzi ane mwana naye. Chero
mukamirizika pamaProfile foto, ndopane marriage yacho
here? Ndirini ndaivapa zvangu mukana vanodanana
vodanana. Pane kuita like a spiritual wife inotadzisa vapenyu
kufara.”
“Mary iweeeee……….” Mucha akadaro akatarisa
munin’ina wake achida kumurova muromo nembama.
Cindy akabata musoro achinzwa dzungu akatarisa Mucha,
mifananidzo yaakange aona yakatanga kuchinjana se slide
show mumaziso ake. Akamira ndokuita sepane zvaaida
kutaura asi akatadza ndokubuda oenda.
Cindy akasvika muPharmacy ave kubvunda achitadza
kuzvibata nekurwadziwa neimba yake kwaaiita. Akafunga
kuti zvakafamba sei kuti azove mai Denhere.
Mai Roddie….. ndimai Roddie vakakonzeresa, mai Roddie
ndivo vakatevera iye navabereki vake pavakasangana

Page | 35
kuGraduation party. Ndivo vakange vatsvagira
mwanakomana wavo mukadzi ivo vachiziva kuti ane
waakange anhumburisa. Ko vakange vadii kumuudzawo?
Ndosaka iye Roddie akange asingade kumhanya nemuchato
nhai, aive nenyaya. Cindy akafunga mai vaRodney hasha
dzake dzichiwedzera.
Akabata bata muhandbag make achitsvaga mapiritsi ake
asi akamashaya. Akange apedzisira kunwa kare kare.
Paakatanga zverudo nemuchato naRodney njere dzake
dzakange dzadzikamira, akange asingashungurudziki zvaida
mapiritsi. Kuita mukadzi waRoddie kwakange
kwambomupodza kwekanguva.
Paakaramba achifunga kuti rudo, muchato, imba zvese
dzaive nhema dzega akanzwa achitadza kuzvidzikamisa,
akabuda muPharmacy ndokuenda kumotikari yake. Akatsik a
mafuta akananga kumba kwamai Roddie kuAvondale. Ndivo
vaive amai vemunhu akange amutsa hurwere hwake
hwakange hwamboteramira. Ndivo vakange varonga nhema
dzese idzi………… aida kundovaona.

Page | 36
CHITSAUKO 04

Cindy akasvika pamba pamai Roddie ari chamupupuri,


kana kutyaira motikari kwaaiita kwaive kufamba nenyasha.
Paaipfuura mabhera aisara achirira vamwe vatyairi
vachidaidzira nekutuka. Akasvika ndokumisa pagedhe pamai
Roddie, akatenderera motikari yese achivhura misuo yese
napese paivhurika. Kusanganisira kumashure nekumberi
kwemota uye nepaive netangi repeturu. Pese akavhura.
Vakomana vaidyara maruva nekucheka uswa
vakamutarisa vachishamisika. Vakangovhurira mai Denhere
veOsitireriya ava gedhe ndokuvakwazisa asi hapana
akapindura. Cindy aida kuona mai vaRodney chete. Paakati
fambe fambe patsangadzi yaive apa, akanzwa ave kuremerwa
neshangu dzake refu dzaakange akapfeka. Akabva
angodzibvisa ndokusiyapo.
Bhachi jena rebasa rake rakarema zvakare ndokubva
akumura ndokusiya pasi. Bhande raakange akasunga
padhirezi rake rakatanga kumushinya achibva asunungura
ndokukanda pasi. Apa ange ave pamusuwo waipinda mumba
achipfuura nemumba mekubikira.
“Mai Roddie, muri kupi? Mai Roddie!” Cindy akadaro
achidaidzira achienda mumba mekutandarira. Mai Rodney
vaivemo vachipukuta midziyo yavo yakange yakashongedza
imba yavo yekutandarira. Hana yavo yakarova vakatarisa
nepahwindo vachiona muroora achidonhesa mbatya imwe

Page | 37
neimwe. Vakazonyanya kushamisika nemadaidzirwo
avakaitwa nemuroora wavo uyu.
“Nhai mwanangu kwakanaka here?” Mai Roddie vakadaro
vakangobata chimucheka chavaipukutisa midziyo yavo.
“You liar!! Old……. lying, scheming bitch!!!” Cindy
akadaro amira akatarisana namai Roddie. Aifemedzeka tsinga
dzabuda muhuro mese achibuda masiriri kunge mhuka
yadenhwa. Mai Roddie vakatya vakatanga kudududza
vachimutiza.
“Why didn’t you tell me your son has a bastard outside of
this fucked up marriage? Why? Wakandipinzira chii
munhema dzako? You are evil, you old lady. Evil, the devil’s
sister!” Cindy akadaro ndokutanga kunhonga kese
kaaikwanisa kubata achipotsera imba yese.
Mavhasi, twugaba twakasiyana siyana twakange
twakarongedzwa nekushongedza mumba umu twakatanga
kumhanya neimba yese. Mahwindo akapwanyika, Tv
ikaroverwa pasi. Mai Roddie vakasaidzirwa pasi
vakandonyera nemuromo. Vakaridza mhere.
Ndipo pakapinda tete Shereni nevakomana vaishanda
panze vachimhanya. Vakangosvikobata Cindy nechisimba.
Vakatoita zvekushandisa mamhasuro sevarume.
Vainyatsonzwa kuti kana dai vange vasiri vaviri, mumwe
chete aive mangange nemukadzi uyu. Mai Roddie vak am uk a
muromo waita sewehochi kuzvimba mukanwa mese mazara
ropa. Vakamhanya mumba mavo mekurara ndokutora nhare
yavo vofonera mai Makore.

Page | 38
“Cindy……… andirova……….. aparadza imba yangu,
huyai.” Mbuya vaSharon vakafemedzeka panhare.
“Aaaah mamuitei mwana wangu? Ndakakuudzai kuti
don’t stress my daughter. Ok ok, can we meet kuMedix
Private Hospital, kuna Dr Rwizi the Psychiatrist, ndivo Doctor
vake, she needs to be sedated. Oh my girl, mamuiteiko imi
vana Denhere?” Mai Makore vakadaro ndokuridza tsamwa
vachinyaradza runhare rwavo.
Mai Roddie vakamhanya mhanya nevashandi vavo
ndokuendesa Cindy kwachiremba wake kwavakange
vataurirwa namai Makore. Muroora Pharmacist akangosvika
achibaiwa jekiseni rekuti adzikame ndokurara. Mai Roddie
vakabva vati bvorokosho pazvigaro zvaive pachipatara apa.
Hana yavo yairova zvakanyanya.
Mumwe wevakomana vavo ndiye akazotora nhare yavo
ndokumbofona fona.
Akadzoka pavaive achibva ati; “Handei kumba mother.
Mukoma Roddie phone yavo is not available. Asi ndafona
landline kuPharmacy vati vambobuda. Sekuru nambuya m ai
Danny vati vave kunanga kumba kuAvondale. Handei kumba
mhai.” Vakomana vakabata mai Roddie maoko vachivabatsira
kusimuka.
Pavakangoti nhanho mbiri, mai Makore vakabva
vabudawo kwavakange vasiya mwana wavo nachiremba.
Mai Roddie vakatadza kuvanza hasha dzavo dzakange
dzakasangana nekuvhiringika, nekutya, nekushamisika
zvakanyanya.

Page | 39
“Mati imi Cindy wenyu anonzwei?” Mai Roddie vakadaro
kuna vamukurungai vavo.
“It’s just Bipolar Disorder, she has managed it for years.”
Mai Makore vakadaro vakatarisa divi.
“Muri kuti mwana wenyu ibenzi? Mupengo? Hezvoooo.”
Mai Roddie vakadaro vabata gotsi nemaoko ese.
Mai Makore vakaridza tsamwa ndokuti; “What kind of
insensitive stigma is that? Mental disoders are just like any
other illnesses. Hamutonyari kuti ndimi makonzeresa? Maitei
mwana wangu? Mamudenha nei? Chii chaatsamwa Cee
wangu?”
Mai Roddie havana kupindura. Vakafinyama
zvekusemburwa ndokufamba vachibuda, vakabva vananga
kumba kwavo.
Mai Roddie vakawana mwanakomana wavo avepo pamba,
pamwe chete nehanzvadzi yavo baba vaDanny, naDanny
wacho naamai vake.Vese vaiita sevafirwa vakatarisa zvinhu
zvakange zvaparara mumba mavo.
“Ko nhai tete Shereni, sei musina kutsvaira nekurongedza
mumba?” Mai Roddie vakadaro vachifinyama
kwekurwadziwa vachigara pasofa, “Ndipeiwo maStopayne
angu, musoro uri kundibanda.”
“Ndafunga kuti muchadzoka nemapurisa.” Tete Shereni
vakadaro vachienda mumba mairara murungu wavo
kundotora mapiritsi emusoro.
“Chiiko chaitika pano nhai vatete?” Baba vaDanny
vakazobvunza.

Page | 40
“Hanzi makadii kundiudza kuti Roddie ana Sharon.
Ndokutanga kupotsera all my vases, curios and ornaments.
Imagine. Dai asina kuzobatwa kana macheya nemasofa
zvaipotserwa nepahwindo.”
Baba vaDanny vakaita sevoda kusimuka pasofa ndokuti;
“Saka nhai tete, muri kuti mukadzi wemuzukuru wangu
dzinopota dzichidambuka? Chokwadi chokwadi?”
Mai Roddie vakapunyaira maziso atsvuka ave kuda
kubuda misodzi. Mai Danny vakabva vati; “Nhai Roddie,
ndiwe wakagara nemukadzi kwemwedzi yese iyi. Maigara
sei?”
Rodney akambofemedzeka ndokuzoti; “Zvamuri kutaura
hazvisi kundishamisa. Cindy anoita maextreme mood swings.
Anogona kuita usiku hwese achitaurisa playing music
achitamba. But semunhu anonwa maWhisky ndaitoti
kudhakwa. Kana kuti anogona kunyarara vhiki yese.
Asingataure kana kuseka anongoti zii, even kubasa anoita
basa rake akanyarara.”
“Ko waidii kutaura nhai Roddie?” Mai Roddie vakadaro
vachirwadziwa moyo neupenyu hwemwana wavo.
“But mamma ndakakuudzai wani.” Rodney akadaro
akadzikama asina basa nazvo.
Vese vaive mumba vakamutarisa nekutarisa amai vake.
“Ah, ndazviziva nhasi kuti Cindy mupengo ini. Wakataura
rini?” Mai Roddie vakadaro vachikwidza mapipito avo.
“Inga wani ndakati handimuzive musikana uyu, ngatiregei
muchato. Mukati hazviite.” Roddy akadaro asina hanya
nazvo. Mai Roddie havana kupindura.

Page | 41
Mbuya mai Danny ndivo vakazoti; “Ko iye aziva seiko
nezvaSharon zvamupa hasha kudaro?”
“Aona my fotos muCellphone yangu, aipwanya futi.”
Rodney akadaro.
Danny akabva ati; “Aenda kwana Mucha uko
vakandotukana. Mucha andifonera achichema, achiti Roddie
is not reachable. Nyaya yenyu yave kubhowa iyi. Vatete
mukomana ane barika uyu. Mai vemwana wake
vamakaramba, nemupengo akusotai muromo wenyu uyo.”
Vanhu vese vakambotarisa mai Roddie, muromo wakange
wakarembera semapapu ari papfihwa. Vakabata muromo
wavo ndokutsikitsira.
Danny akange akagumbuka chaizvo; “Iwe Roddie buda
pachena mhani. Taneta kuswera tichingohwanda
nekumhanya pese pese. Saka paye patakasangana
kuPharmacy une mwana, dai akaziva aiputsa pharmacy yese?
Come on, dai mamuita zvamakaita murume waBerna ka nhai
tete. Uyu munomutyireiko?”
Baba vaDanny vakabva vati; “Iyoyo nyaya inotoda zuva
rayo. Now tatove nemhosva kwaMakore. Roddie
wakonzeresa mudzimai wako. Hapana waunoudza
akakuterera, kuti iwewe ungachate ugogara nemukadzi
kwemwedzi yese iyi usingazive kuti anorwara?”
Rodney akaramba akanyarara, vakaramba vachitaura
nekuronga kuzoenda kuvabereki vaCindy kundotaurirana
nyaya yavo.
Manheru emusi uyu Rodney naDanny vakaenda kumba
kwanaMucha. Vese vaive nenyaya pamusoro paCindy, uye

Page | 42
vese vaishamisika nezvakange zvaitwa naCindy. Vamwe vese
vaitaurisa Rodney akangonyarara.
KweSvondo rese Cindy paaive muchipatara, Rodney
aindorara kwana Mucha. Kuvabereki vese hapana akaziva
izvi nekuti vaingosangana nekuparadzana pachipatara
mumwe nemumwe achienda kumba kwake.
Musi wakabuda Cindy muchipatara Rodney
akandomutora akandomusiya kuMandara kwavabereki vake.
Ndiwo musi waazoendawo kumba kwake kuEastlea.
Mary akange akarara pamubhedha achitamba nemwana
apo Mucha airongedza mbatya dzake, dzemwana nedzababa
dzaakange awacha nekutwasanudza.
“Mucha waindituka asi hona baba aSharo vakabva vauya
zvachose.” Mary akadaro achiseka.
“Ko Cindy wacho paanobuda muHospital akataura zvese
zvawakamuudza? Ko kana Roddie akatsamwa? Handidi
zvekunzi takonzeresa.” Mucha akadaro.
“Kana ivo amaRoddie, vakazowana anovakurira mbengo.”
Vanasikana vaTogara vakaseka zvekuyerera misodzi
mumaziso.
Mary akati ari mukati mekuseka; “Iyezvino Roddie
tinomugara bumper kusvika aroora, zvaamai vake
ndezvekupenga izvo. Taitya kare, iyezvino tinovayeuchidza
mumwe murwere wavo.” Vasikana vakaseka zvakare.
Kumba kwana Makore, vakange vasina mufaro sezvo
mwanasikana wavo akange achirwara zvavakange
vasingatarisire. Vaifunga kuti akange apora paakabva
kuAustralia kwaakange atanga kurwarira.

Page | 43
Akaita Svondo rese ari kumba kwavabereki vake
ndokuzoenda kuEastlea amai vake vagutsikana kuti mapiritsi
akange oshanda zvakanaka.
Pazuva rakatevera, veukama vakashanya, vaiti; baba
namai Makore uye mai Roddie nehanzvadzi yavo nemuroora
wavo.
Mai Makore vakange vasina mufaro nezvakange zvaitika
kumwana wavo. Iyewo pakutaura navo akange asina kubuda
pachena kuti sei akange agumbuka zvakadaro. Akangotaura
nyaya yemifananidzo yaakange aona munhare yemurume
wake.
Mai Makore vakabva vati; “Ko sei kusataura nyaya
yemwana wako nhai Rodney? Such kind of triggers Cindy
haazvikwanise. Kana uine mamwe masecrets ibvai
mangotaura zvese zvipere.”
Mai Roddie vakabva vati; “Ko kuve nemwana
kungapengesa munhu here? Asi dai mese makangotaura k uti
akatsamwa anopengereka kwete zveBP zvenhema
zvamaitaura. Asina BP ndiani………..”
Baba vaDanny vakaona kuti madzimai aya vakange
vacharumana ndokubva vati; “vana vedu vese vane
zvavanofanira kugadzirisa mumba mavo. Kubva kumativi ese
vachagadzirisa zvemumba mavo. Ini sekuru vavo nambuya
vavo ava, tichavabatsira.”
“Chii chamunoda kuzotaura mega? You want to humiliate
my daughter? Taurai zvese…………….” Mai Makore
vakadaro vachidikitira.

Page | 44
Cindy akambokosora ndokuti neinzwi riri pasi; “Mummy
please, sekuru vari right. Roddie and I will get through this.”
Cindy akadaro achiratidza kuneta uye asingade kutaura
nezvekurwara kwake.
“Imi mai Roddie, ndozvandaitauraka kuti maVows enyu
ekunyepera Mwari kuti mukurwara nemukusimba handiade.
Iwewe Roddie kana ukazvitadza zvehurwere hwemwana
wangu just let me know. Do not abuse my daughter.” Mai
Makore vakapopota.
VaMakore vakabva vatiwo, “Honestly son, une nyaya
dzemwana wako kunze uko. Your child is your responsibility.
Kuchengeta mwana wako naamai vacho hakufanire
kukonzera problems in your marriage. But Cindy has to know
why usina kuroora mukadzi wawakaita naye mwana. You
don’t look like the irresponsible type. Kana watadza
kuzvisanganisa don’t abuse or fight with my daughter, just
send her back to us. She has been to hell and back, no triggers
for her please.”
Mai Makore vakabva vatsigira murume wavo; “Now you
can stop persecuting us as if tiri anti-Christ. Patakati no to
vows ekuti till death do us part, we were considering our
daughter’s condition. Tange tisingade kusungirira munhu
tichidaidza Mwari tichiziva kuti zvinozonetsa.”
Mai Roddie vakapukuta muromo wavo waivava wave
kudonha makwati ekupora, ndokuti; “Ko makadii kungotaura
kuti ndozviripo?”
VaMakore vakadzungudza ndokuti; “No, no, no. Am sure
Rodney didn’t propose and went on to get married asingazive

Page | 45
zvakadai. Makazvionepi kuti vanhu vanogara dare as a family
talking about such things? Inyaya dzevaviri vari mumarriage
idzi. And mind you this is just a private matter, not a secret.”
Vanhu vese vakambonyarara, vekwaDenhere
vachidzvokorana kunge pane zvavaida kutaura asi
vachigumira panzira. Pashure vakuru vese vakazooneka
ndokuenda kudzimba dzavo vachisiya baba namai Denhere
vari vaviri.
Vese vakamboita nguva vachizezana, Cindy ndokuzoti; “I
am sorry Rodney. Forget zvese zvavange vachitaura, as if
blaming you. If you want out, it’s fine. Just give me time to
calm down and see what I can do with my life.”
“Pane zvimwe here zvandinofanira kuziva?” Rodney
akabvunza.
“This is the same problem that ended my first marriage. I
was married to Chloe’s brother, Gareth. Paakaziva about my
condition he did not take it well, he had an affair with
someone else. He started abusing me and telling everyone
kuti ndinopenga. And I kept deteriorating zvekuti we
finalized the divorce ndatove in a Mental Institution.” Cindy
akadaro nemisodzi padama.
Rodney akabwaira bwaira achifunga madimikira ese
aitaurwa nehama dzaCindy pamusoro pekurwara kwake
pamuchato wavo.
“What are your plans?” Rodney akazodaro abata musoro
nemaoko ese.
“Handizive ini, handina any plans. Handina zvekuita
neupenyu hwangu. I feel so stupid. Dai ndakaziva kuti une

Page | 46
mwana nemumwe mukadzi dai ndakakusiya zvangu.
Everything happened so fast.” Cindy akadaro.
Mumba makambonyararwa kwenguva yakareba, Cindy
ndokuzoti; “Ndini here ndakatadzisa your marriage to that
baby mamma?”
“No, it’s me, I did not fight for her enough. Iwewe
ndaifunga kuti you are a passing distraction for my mother
but takazoita Mr and Mrs.” Rodney akadaro.
“I have a special request Rodney.” Cindy akadaro
achikwidza makumbo nekutandavara makumbo ese pasofa.
Rodney akangosimudza musoro achiterera.
“Please be patient. Usandinyadzisewoka. Kana
tikambogara tese, ndichigadzirisa zvinhu zvangu. Like salary
yangu yese ichatoenda kuna mamma vako vagadzirise imba
yavo pandakaputsa.”
Rodney haana kupindura. Cindy akaenderera, “About
your baby mamma? Wakangopinda in this marriage cheating
Rodney. Who does that?”
Rodney akaramba akanyarara, pese paikwidza Cindy
inzwi chero achitamba kana kuseka, Rodney aivhunduka
zvakanyanya.
Cindy akabva ati; “sezvakataura amai vemwana wako,
haundide and haufe wakandida, ndinofanira kukusiyai
mugare semhuri.”
“Mucha akadaro? Mucha chaiye said that?” Rodney
akadaro achida kuziva zvakange zvataurirana vakadzi vake.

Page | 47
“Now I know so many things about you. Zvimwe
zvaindisvota, but now I got answers.” Cindy akadaro
ndokuseka zvekuzvinzwira tsitsi.
“Zvakaita sezvipi izvozvo zvawave kuziva?” Rodney
akadaro asingachafariri nyaya dzavaitaura.
“Ndaifunga kuti une low sex drive. Ndikasakubataka
iwewe tinoita mwedzi wese no action on the bed. Izvo une
mukadzi waunoda hako. And ndiye wawakaita naye your
true honeymoon.” Cindy akadaro, akafinyama ndokuti; “And
the few times we made love ndainzwa seunoti ‘too much’
when you are sexually excited, yet unenge uchiti ‘Muchaaa’”
Cindy akadzungudza ndokumbozvifukidza kagumbeze
achitandavara pasofa paaive akagara. Akabva ati; “Hama
dzako and all your friends vanoziva about your daughter
namai vake see an idiot kana vakanditarisa. Hanzi
ndisamirizika on your WhatsApp profile ndichifunga kuti I
am Mrs Denhere, yet ndakatorera Sharo daddy vake.”
Rodney akabwaira bwaira, akabva ati; “I am so sorry
nazvese zviri kutaurika. Let’s just take it slowly, tigoona kuti
toparadzana sei. I don’t want to leave you broken and sad.
Meanwhile, let’s respect each other and maintain our dignity.
I am so sorry Cindy. You are a good woman. But, just not for
me.”
Cindy akasekerera ndokuti; “And I am sure we will live in
peace now. I won’t freak out because I don’t expect you to b e
a husband to me. We are friends. You are taking good care of
me. Just that we are friends with benefits.” Vakaseka vese
ndokubatana maoko.

Page | 48
“I think uuye nemwana wako during weekends. I won’t go
kumba kwedu. Tomboita kahappy family while it lasts.”
Cindy akadaro zvakare.
Rodney haana kupindura, vakatarisana mumwe
nemumwe ari mupfungwa dzake. Vese vaishungurudzika
nezvaive muupenyu hwavo. Rodney akatarisa Cindy akaona
otaridzika sechembere yechirungu inorwara. Zvakamunzwisa
tsitsi zvakanyanya.
Kana kubata nhare yake zvaaisiita mazuva ese achitaura
naMucha kusvika pakati peusiku, musi uyu Rodney akatadza.
Zvainakidza Cindy paange asingazive, murume achibirira.

Page | 49
CHITSAUKO 05

Pamazuva ese akatevera, Rodney aibatsira Cindy


nemishonga yake uye kuita zvimwe zvaainzi nachiremba
wake aite. Vaienda vese kwaPsychiatrist, vondoita therapy
vese. Izvi zvakabatsira Cindy zvakanyanya pakugara akafara
uye akadzikama. Uye Rodney akange oziva zvaidenha
hurwere, aigona kudzikamisa mumwe wake kana zvamubata.
Nekuda kweizvi, Rodney akashaya nguva yekuenda kumba
kwana Mucha. Naizvozvo mwana, Sharon, akange onyanya
kundotorwa nekudzorerwa kuGlen View nasekuru Danny
kkana vwamwe vachairi vambuya vake..
Mushure memasvondo matatu, Rodney akazokwanisa
kuenda kumba kwana Togara panguva dzekudya
kwemasikati. Akawana mhuri yese iripo uye vese vaifara
chaizvo. Makuhwa aibva nekuna Berna namai Danny
airatidza kuti mazuva aCindy ari Mrs Denhere akange
overengeka. Vese vaifara nekupembera. Mamwe makuhwa
aiti mai Roddie vakange vachidemba kuti dai vakarega mai
Sharo vachiroorwa zvaive nane pane zvavakazoona izvi.
Rodney akadya sadza akapedza ndokutotanga
kumhanyirana naSharon mumba umu pasina zvaakataura
pamusoro penyaya dzavaida kunzwa. Mary ndiye akazoti;
“Makatotanga divorce yenyu here nhai bamukuru?
Makazodiiko nemunhu uya wamaigara naye?”
“Not yet, but soon.” Rodney akadaro ndokunyarara.

Page | 50
Mary akabata muchiuno ndokuti; “Imi baba Sharo maitiro
enyu anobhowa. Makamirirei? Paakabva kuHospital
akaenderei kumba kwenyu? Chamuchiri kutaurirana chii
chinogadzirisa kana kudarika zvakatoitika?”
“Munhu haaraswe semarara, soon anenge agadzirisa
zvaanodawo muupenyu hwake, anoenda.” Rodney akadaro
asingade kutaura zvakawanda. Akamira ndokutarisa nguva
ndokuti; “Handei mai Sharo, mondiperekedza naSharon
mugodzoka naye.”
Mucha akapfeka shangu dzake ndokupfekedzawo Sharon
uyo akange abatirira pana baba vake. Rodney akasimudza
mwana ndokuoneka mai Togara.
“Saka zvamuri kugadzira izvi zvichatora nguva yakareba
zvakadii?” Mucha akabvunza apo vakange vave pagedhe
vachibuda.
“Iwe shamwari ndati undiperekedze kudzokera kubasa
nemwana, kwete zvako zvekunditongesa izvi.” Rodney
akadaro ave kufambisa Sharon pasi akamubata ruoko.
“Iwewe upenyu hwako huri kufamba sezvaunoda.
Unombofungawo here the pains and emotional torture I go
through ndisingazive kuti relationship yedu ichadii?” Mucha
akadaro.
“Chausiri kuziva chii?” Rodney akabvunza.
“Zvachoka zvaunongoti uchagadzirisa. Sharon achatoita
two years baba vachingonyepera amai kuti ndichakuroora.
Kana uchiona usingazvikwanise buda pachena ndizive kuti
handina murume.” Mucha akadaro zvakare.

Page | 51
Rodney akatarisa Mucha nehasha; “Don’t be ridiculous.
Ungade marriage yekuti tinochata, but tine nyaya yekuti
Cindy ave in a Mental institution or azviuraya? Is that what
you want?”
Mucha akaita sepasina chaanzwa, ndokuti; “Roddie,
ndosaka ndati kana zvichikunetsa ndiudze kuti wazvitadza
zvekundiroora. Pakutanga ndimai vako vaida kuzviuraira
muchato wedu. Nhasi ndiCindy zve ave kupenga kubvisa
hembe about muchato wedu. Mangwana ndiani zvakare?
Achaiteiwo? Saka ini ndofanira kuzviurayawo kuti ugoita
zvandinoda? Do the right thing, tione kana mathreats
aunopiwa iwayo akabudirira.”
Rodney paasina kupindura, Mucha akabva ati; “Saka chero
mumba macho tichange tichingoraramira kufadza vanhu
here? Kana pakawana anoti usadzokera kumba nhasi
wotorega? Zvese zvauri kutaura hazvinei neni. Asi
usanditambisira nguva yangu ndichiita kunge small house,
kunge pfambi yako yekuGhetto, kunge gold-digger akaita
mwana wako kutaimira maintenance yaPharmacist.” Mucha
akange opunyaira ave kutoda kudonhesa misodzi.
Rodney akamoneredza ruoko rwake muchiuno maMucha;
“Saka ndodiiko nhai? Inga ndakati just be patient. Takabva
kure Mucha sha, haunganeti tave kusvika so.”
“Uri kundiita benzi chairo. Kundinyadzisa kwauri kuita
kunopera nekuroorwa kwangu newe kana nemumwe
murume. Iwe uri kugara nemukadzi zvinozikanwa nemunhu
wese haundinyarewo here?” Mucha akadaro.

Page | 52
Rodney akambonyarara ndokuzoti; “That was the same
argument yakataurwa naCindy. Aingonditi futi I am happier
with you. Ndiri kungoda kumubatsira pacondition yake then
toparadzana zvakanaka. Kana iye akabvuma ega wani kuti
our marriage was a mistake.”
“Saka kana mukadzi ega ataura izvozvo sei iwewe
uchimumanikidza kuti murambe muri mese?” Mucha
akabvunza.
Rodney akadzungudza ndokuti; “Hausi kutomboterera
zvandiri kutaura. Bye princess Sharo, ndokuona soon.”
“Hauchatokwanisi kuti ndokuonai mangwana, soon yako
can be next month.” Mucha akadaro neshungu.
Rodney akatsvoda Mucha pamuromo ndokumutambidza
mwana ndokufuratira oenda kubasa kwake. Mucha akafamba
zvishoma nezvishoma akabata mwana ruoko asingatereri
kuchemera baba vake kwaaiita.
“Iwe Mucha nyararidza mwana, zvaita seiko?” Tau
akadaro achisimudza Sharon.
“Waswera here? Kana kumbonzwa zvangu kuchema
kwake.” Mucha akadaro achikwazisana naTau.
“Kubvira mazuva aye awatanga kushanyirwa nevanhu
ivava vekumaDale-Dale ndakakuudza. Hona nhasi mwana
otofamba iwe uchingoitwa weku back door. Iwe Sharon, udza
chibaba chako kuti musaite vhisita kumhuri yenyu kana muri
serious.” Tau akadaro achitambisa matama aSharon. Sharon
akasunga muromo ndokudzorerawo kutambisa matama
aTaurai.
“Ko zvinei newe izvozvo?” Mucha akadaro nehasha.

Page | 53
Taurai akaseka ndokuti; “Unozviziva Mucha kuti dai
pasina baba vaSharo uyu takatoroona kare. Ungadai wakaita
mai Madzivanyika kare kare. Asi wakandishora hona nhasi
wave mvana? Single mother? Small house? Slay queen? Uri
chii nhai mai Sharon?”
Muchayemura akaridza tsamwa ndokuramba akanyarara.
Taurai akaenderera mberi; “Handisi kukutsvinyira
shamwari yangu. Ndati tingoonesana. Uchaita upenyu hwese
uchimuperekedza halfway kwaanoda, exactly zvauri
muupenyu hwake, uri halfway. Iye achitoenderera mberi
neupenyu hwake iwe uchigumira munzira. Vakadzi
vanotodyiswawo nhai?”
Taurai akaseka ega ndokuti; “Mucha iwewe usazungaira.
Ndozvawaitaura mazuva aakachata muchinda uyu
muchimudhifenda kuti mai vake vazoramba hameno hameno.
But rudo chairwo runorwisa wena. Angadai akarwa,
nyangwe dai ange asina kukuroora but aisafanira kuroora
mumwe iwe nemwana wake muripo. Angadai akangoti m hai
kana maramba wandinoda ndongorega kuroora kwachoka.”
Taurai akambonyarara akatarisa Mucha uyo akange
okwira tembiricha nemashoko aTau. Muvakidzani uyu
akaenderera; “unozviona here kuti muchinda uyu haana b asa
nazvo kuti unofungei as long as kusaidhi kwake zvichifaya.
Haana basa nekurwadziwa kwako. Haana basa nekuti uchadii
nehupenyu hwako. You know why?”
Tau akarova rova Mucha pamafudzi ake; “Nekuti anoziva
kuti hapana zvaunoita. Anofunga kuti haupfimbwi and
wakapusa zvekuti uchamumirira upenyu hwese achiita

Page | 54
zvaanoda nevamwe vanhu iwe uripo. Changamuka mhani
Mucha iwe.”
Muchayemura akabva atora mwana wake akange
akasimudzwa naTau ndokutsauka oenda kumba kwavo.
Akange achiremerwa zvino pasi pasi pemwoyo wake.
Panhaurirano yake naRodney, hapana chaakange abata kuti
ndohwaive hurongwa hwababa vaSharon. Dai pane
zvaakange avimbiswa angadai asina kunyanya kurwadziwa
nemashoko aTaurai. Zvakataurwa naTaurai zvakaita sekuti
nyika yese ndozvayaimunyeya ichiseka ichitaura pese
paaipfuura.
Akawana mainini vake vachakagara pasofa vakamumirira.
Paakangopinda, mai Togara vakabva vati; “Ah, iwe munhu
wako uyu zvakatooma. Chaari kuramba akagarira
nemupengo wavakaona vese ari violent kudaro chii?”
Mucha akatura befu achizvikanda musofa. Musoro wake
waitenderera achifunga mashoko aTaurai neaRodney.
Mukadzi akatsemuka mwoyo nekuvhiringika achishaya kuti
chii chaiitika muupenyu hwake.
Mucha akamboramba akanyarara asina kupindura
amainini vake ndokuzoti; “Nhasi ndopandazoona kuti
Rodney ari kundinyepera. Amai munenge makaona chokwadi
kuti murume uyu ari kutamba nepfungwa dzangu.”
“Hanziiko nhasi?” Mai Togara vakabvunza.
Mucha akabva ati; “Hanzi ndichambobatsira Cindy kuti
apore. Anomubatsira ndiye akamurwarisa here? Cindy wacho
haakwanisi kundoporera kumba kwavo here?”

Page | 55
Mai Togara vakaseka ndokuti; “Kumubatsira achirara naye
zuva zuva vachiita bonde ndomapiritsi ekupenga here
iwayo?”
Mucha akavaviwa rurimi nekurwadziwa, akagomera
ndokuramba akanyarara. Pave paya akazoti; “Kana ndimiwo
amai, pakutanga Roddie aiti amai vake varamba, now Cindy
aramba, next ndiani acharamba?”
Mai Togara vakadzungudza ndokububudza maoko
vachipererwa. Mucha akaeredza misodzi achiti; “Dai
ndakakutererai zvangu ndakasiyana nazvo kare. Ndinenge
ndiri kudanana nema promises, kana nepfungwa
dzandinozvigadzirira mumusoro mangu kuti ndichazovewo
mai Denhere. Handichazvikwanisi ini amai.”
Mai Togara vakabata muzukuru wavo uyo akange aisa
chigunwe mukanwa akasuruvara akatarisa amai vake
vachichema. Mucha akasimuka ndokuenda mumba make
mokurara ndokundozvivhariramo.
Pamasvondo mana ese akatevera, Rodney aiwana mukana
wekushanya kumba kwana Mucha kamwe chete pasvondo.
Uye nekuda kwekutaudzana kwaakange aita naMucha,
akaona kuti mhuri yese yakange isingachavimbi naye.
Aishanyira Mucha votandara nekufadza nyama samai nabab a
oenda mai Togara vasati vadzoka.
Cindy aida zvekufamba achiona nzvimbo dzakasiyana
siyana. Kana chiremba wake akange amuti kuona zvakanaka
zvinomufadza kwaizomubatsira kuti pfungwa dzake
dzizorore asararame nemapiritsi.

Page | 56
Zvavakange vatadza kuita pavakachata, vakazviita
pamwedzi iyi. Vakashanyira nzvimbo dzese dzinoyevedza
dzeZimbabwe yese. Pese pavaishanya, Rodney aibatsira
Cindy zvakanyanya nekutaura naye apo ainyararisa,
aimudzikamisa apo hasha dzehurwere padzainyanya. Uye
ndiye aitanga kufonera chiremba waCindy achipiwa mazano
nekuudzwa zvekuita apo Cindy aiita seave kudzokera
kumashure.
Cindy nevabereki vake vakatenda Rodney chaizvo
pakuzvipira kwake kubatsira mumwe wake kuti ararame
zvakanaka nehurwere hwake. Kwaana Mucha, Rodney
akange oenda masikati ondosiya zvinhu zvaaitenga. Uye
mwana akange ogara naye kuEastlea nguva zhinji pese
paaimutora.
Kubva musi wataurirana Mucha naTaurai pamusoro
pemaitiro aRodney, vakatanga kuve nehushamwari
hwakakomba. Taurai aindotora Mucha kubva kubasa kwake
nemotikari dzevanhu dzaaigadzira. Kana paaive asina
motikari aienda neCombi vondodzoka vese. Mucha
akamborega zvekufonera nekutsvaga Rodney panhare,
akaona inga svondo rese ratopera iye akanyararawo. Aibaiwa
moyo asi kuvepo kwaTau kwakamunyaradza.
Zvekuita naTaurai zvakatanga kuwanda, nyaya,
kunzwirana nekuwirirana zvakatangawo kuvepo. Asi kupera
kweSvondo rega rega mwana aizotorwa achienda kuhama
dzake.
Sharon paakazodzoka ave kudaidza auntie Cindy, Mucha
akaita seachamonya muromo wemwana. Asi zvakamufungisa

Page | 57
kuti vekwaDenhere vakange vagadzirisa zvainetsa akati pavo
naCindy ndosaka kana mwana akange ozivawo naCindy
wacho.
Nemumwe musi weChishanu, Rodney akasvika pamba
pana Mucha nguva dzemasikati achizotora mwana. Mucha
nemwana vaive vega vamwe vari kumabasa nekuchikoro.
“Ko Cindy ndiye ave kuchengeta mwana wangu? Zvaita
sei?” Mucha akabvunza ane shungu.
Rodney akabva ati; “Handiti ndinogara naye here? Mucha
mazuvano you are always complaining, angry and accusing
me. Hatichambofara sezvataiita kare.”
“Pane chekufarira here pane zvese zvaunondiitira and
hausi kuzviona futi why I am not happy.” Mucha akadaro.
Rodney akabata Mucha dama ndokuti; “Relax dear, soon
we will have our happy family.” Mucha haana kupindura
Rodney akamboseka nemwana ndokuzoti; “Nhai Mucha,
wakambofunga kuti ko kana Cindy akaita nhumbu isusu tave
kuda kuroorana unoita sei?”
Hana yaMucha yakarova, akaoma mate mukanwa ndokuti;
“Muri kutoronga nhumbu? Handiti wakamuroora mukachata
here? Mukadzi wakoka, ndingagodii?”
Rodney akaseka chaizvo achiswededza Mucha mumaoko
ake ndokuti; “Hey hey, ko zvawatotsamwa nhai mai Sharon.
Ndiri kungoitawo nyaya ini.”
“Nyaya dzekuvhaira uchindiudza zvebonde rako
naCindy? Inyaya rudzii dzakadaro?” Mucha akadaro. Rodney
haana kupindura.

Page | 58
Rodney akabva azoti; “Cindy cannot have kids.
Necondition yake unofunga kuti angakwanise kuchengeta a
baby here? Unofungawo zvisina basa iwe.”
Mucha akadzungudza ndokuti; “Ndini ndafunga here
kana kuti ndiwe wandiudza kuti bonde rauri kuita naCindy
mazuvano nderemimba chaiyo. Ndosaka pano wave kungoti
mbichana.”
Rodney haana kupindura, Mucha akabva ati;
“Ndakakuudza kuti buda pachena kuti zvedu zvaramba.
Kwete kuramba uchitichinjanisa.”
Rodney akabata musoro ndokuti; “Mucha please,
ndokuudza sei kuti I love you?”
Mucha akaramba akanyarara, vakabva vazobuda vese
Sharon nababa vake voenda kumba kwavo. Muchayemura
akasara asina mufaro. Ari pakati pekufunga kuti oita sei, Tau
akabva agogodza pamusuo.
“Uri wegaka sha, ndaona Sharo achienda kumba kwake.
Ndiperekedzewo kuWaverly ndinotenga magumbeze angu.
Ungagare wega uchiitei?” Tau akadaro achigara padivi
paMucha. Mucha haana kuramba kana kubvunza chinhu.
Akangopinda mumba make mekurara ndokupfeka zvakanaka
vachibva vaenda vese.
Muchayemura naTaurai vakadzoka zuva ratonyura. S ezvo
Tau akange atenga zvinhu zvakawanda, vakaenda vese
kumba kwaTau vakabatirana. Taurai airoja pamba paive
dzimba nhatu kubva pana Mucha. Aive nemusuo wake ega
kuseri kwapamba apa.

Page | 59
Mucha akambogara pasi vachiita nyaya. Aizeza kuenda
kumba kwavo. Vemhuri yake vaive nemibvunzo yakawanda
yaimurwadza kupindura. Musi uyu sezvineiwo, Taurai haana
kumbotaura nezvaSharon nababa vake. Vakataura nyaya
dzavo dzemazuva ese dzisinei nevamwe vanhu. Taurai aive
nenyaya dzakawanda dzekumusha kwake kuChivhu,
makuriro aakaita paruzevha aisetsa Mucha zvakanyanya.
Taurai akakumbira kuti vabike vese vadye, vakaita
sekudaro mukuseka nekutamba. Vakazopedzisira vagara
vachiona DVD renziyo dzerudo dzakasiyana siyana dzaive
paTv yaTaurai.
Musi uyu Taurai akange awana Mucha padyo, musuo
nemahwindo zvakavharwa, hugoita husiku. Akange
amuwana mukadzi waaionera kure asina mukana
wekumubata. Zvishoma nezvishoma vakange vave padyo
zvakanyanya kusvika vave kutsvodana.
Muchayemura akatambanuka ari mumaoko emurume
akange amupfimba kwemakore kubvira achiri musikana.
Pfungwa dzake dzakazorora achifunga kuti Taurai akange
akavimbika kupinda baba vemwana wake…………….. Akapa
muviri wake kuna Taurai, murume akadya namambo, vese
vakafadza nyama yavo vakagutsikana.
Mucha akazoenda kumba nguva dzafamba chaizvo
achisiya Taurai achiri kuda zvimwe. Musi uyu Taurai akarara
akasekerera sekacheche.

Page | 60
CHITSAUKO 06

Pavhiki yakatevera uri musi weSvondo manheru, muraini


maigara mhuri yekwaTogara makange maitika nhamo yerufu.
Naizvozvo vazhinji vakaendako kundochema hama yavo
nemuvakidzani wavo. Mai Togara vakaenda nevana vavo
vese. Mucha akabva afonerwa naCindy achitaurirwa kuti
Sharon akange ave munzira kudzoka kumba. Mukadzi
akapunyaira ave kudzokera kumba ndokusiya vamwe
vemhuri yake odzokera kumba kundomirira kudzoswa
kumba kwemwana wake.
Pakange pasina chekuita ari ega kudaro mumba, pese
paipfuura motikari aidongorera nepahwindo achida kuona
kana iri imwe yemotikari dzekwaDenhere. Akavarairwa
kudaro, Taurai akabva agogodza. Akapinda ndokugara zvavo
vachiita nyaya.
“Ndaona usiri kunhamo kwamudhara Zaranyika
ndikatevera kuno wena. Ko iwe kubva musi uya wakabva
wazotiza zvachose? Asi hauchada kundiona?” Taurai
akabvunza. Muchayemura akangonyemwerera
ndokunyarara.
Taurai akabva ati; “Vimba neni Mucha, ndinoda
kukuroora. Ndinoda kuti uve mudzimai wangu. Handiite
zvemapoto kana zvemahumbwe. Ndave munhu mukuru ini.”
Muchayemura akanyemwerera mashoko aimunakidza
aibva kumurume uyu. Vese vakavhunduka nekugogodzwa
Page | 61
kwakaitwa pamusuo. Muchayemura akasimuka
ndokugadzira rokwe rake rakange rave muchiuno oenda
kumusuo. Akavhura ndokuona ari mutyairi wambuya
vaSharon akange aunza mwana. Sharon akange akarara.
Vakangotambidzana mwana pamusuo ipapo mutyairi
ndokuoneka oenda. Muchayemura akandorarisa mwana
wake mukamubhedha kake mumba mekurara.
Akadzoka achisvikopinda mumaoko aTaurai uyo akange
abvisa mbatya ndokusara nekabhurukwa kemukati akagara
pasofa. Vakaramba vachitsvodana nekubatana kusvika
Muchayemura abviswawo mbatya asara nedzemukati. Taurai
akararisa Mucha pasofa ndokunyemwerera achimutsvoda
pese pese akamutarisa achiyeverwa nerunako rwemukadzi
waakange ada kwemakore uyu.
Vese vakashamisika musuo uchivhurwa, Taurai aive
pamusoro ndiye akatanga kusanganidzana maziso naRodney,
baba vaSharon. Mucha akazotatamuka ave kugara pasi
achimukawo otarisana nababa vemwana wake.
Rodney akamboita nhano mbiri achidzokera kumashure
nezvaakaona. Akatarisa Mucha akaona akapfeka mbatya
dzemukati dzeive dzeyellow dzaakange atenga iye. Akatarisa
Taurai akaona murume akashama akada kurutsa. Akanzwa
mumhino make kunhuwa ropa.
“Why Muchaaaa, why?” Rodney akadaro ndokusvetuka
achienda paive naMucha. Akakwachura mbatya dzemuk adzi
dzemukati, dzikabvaruka, mukadzi akasara ave musvo.
Nguva yese iyi Taurai chaive chipata pata kupfekawo mbatya
dzake. Taurai akazondobata Rodney paakaona adzvinya

Page | 62
mukadzi nemuhuro. Mucha akange ave kuita mweya
wekufema wekutsvaga iwo mweya uri pese pese uyoyu.
Kuna Mucha wakange wave wekuvavarira. Apa makumbo
otakwaira mudenga kurwira upenyu.
Rodney paakabatwa haana kuita nharo akasaidzira vese
kure naye ndokurovera misuo achienda mumba mairara
Mucha. Akasvikonhonga mwanasikana wake sesaga
remagwiri ndokufamba achibuda oenda. Akazobata mwana
zvakanaka apo mwana akamuka nekurohwa nemhepo uye
kurwadziwa mabatirwo aange akaitwa.
Muchayemura akakwanisa kupfeka mbatya akashandika
dzakarembera ndokutevera mwana nababa vake. Paakasvika
pagedhe benz nhema yakapfumbura huruva zvine ruzha
ichienda.
Akadzoka mumba maive naTau ndokusvika achigara pasi
achiremerwa nekumeso kwake.
“What’s your problem Mucha? Sei uchiita as if tange
tichiita chipfambi?” Taurai akadaro.
Muchayemura akafemedzeka ndokuti; “You don’t
understand. Haungambonzwisisi hako.”
Taurai akange ave kuda kushatirwawo akabva ati; “Saka
pauviri hwedu wauri kuhurira ndiani? Nguva yese
yandinenge ndinewe iye ari kumba kwake nemukadzi wake,
anenge achiti ndiye alpha naomega wako? Waa
kuzondibhowa manje Mucha.”
“Chienda, please, ndoda kumbofunga, enda hako. Buda
muno.” Mucha akadaro achindovhura musuo Taurai
ndokubuda.

Page | 63
Mucha akandogeza muviri ndokubwaira bwaira akatarisa
mubhedha wemwana wake. Akabata bata runhare rwake
achida kufona asi ange asina mashoko. Akange aita mukadzi
pfambi, abatwa aine chikomba. Mubvunzo waTaurai
wakaramba uchiuya mumusoro make, wake murume chaiye
aive ani? Aizoti ndaitirwa upombwe nemukadzi ndiani?
Rodney kana Taurai? Nayewo akashaya mhinduro.
Akafunga kuti mai vaRodney vaizoti chii pavachanzwa
nyaya iyi. Vachati mwana wavo vakamugoneraka. Zvaive
nani kuroora mupengo pane kuroora pfambi. Muchayemura
akadzima mwenje nenyadzi dzakapinda maari. Akange aita
zvaaiita naTaurai asi akange asina kugadzirira nyakanyaka
yazvaizouya nazvo. Ko kana aizogadzwa dare naRodney
nana sekuru Danny namainini vake mai Togara aizopindura
kuti chii?
Ko mwana wake aizoterera ani? Baba vakange vati amai
ndimirirei tigochata tigogara tese, asi amai vakatadza
kumirira vakabatwa nechikomba. Ko kana Cindy aizopora
akaenda zvedi sekutaura kwaRodney, iye Mucha aizonzwa
sei Roddie ave kutsvaga mumwe mukadzi aizoita mainini
vemwana wake nekuti iye akange abatwa nechikomba.
Pfungwa idzi dzakaita kuti Mucha anzwe seave nemarariya
yaitoda mapiritsi enororoni. Mai Sharo akazvifukidza
negumbeze achitiza upenyu hwake.
Rodney akatadza kuenda kumba kwaive naCindy
kuEastlea. Akananga kumba kwaamai vake. Mai Roddie
vakashamisika kuona mwana wavo nemuzukuru vachisvika
usiku hwakadai. Sharon akange amuka, hope dzese dzapera

Page | 64
nekugujurwa nemota uye kurohwa nemhepo yaitonhora.
Pavakasvika akangomhanyira paive nambuya vake. Rodney
akazotevera kumashure achikiya misuo ndokuzoendawo
mumba mekutandarira maive namai vake.
Amai vake vakange vakagara vakamumirira vakasenga
muzukuru wavo. Rodney akakanda kiyi dzemotikari patafura
ndokutarisa amai vake nemaziso aive nemisodzi.
“Zvaitika zvamaida. I will never forgive you. Marriage
yangu naMucha bruuruuu, gone, zvachose. Hakuchina. Now
I am stuck with your sick choice for the rest of my life.”
Rodney akadaro ndokufamba achienda mumba make
mokurara.
Mai Roddie vakatadza kunzwisisa A kusvika Z yacho.
Vakamirira kuti kuedze vagozotaurirana.
Pazuva rakatevera mai Togara vakashamisika kuona
muzukuru wavo asipo apo Muchayemura akange obuda
kuenda kubasa.
“Sharo akauya nadriver uya wemhanza, anogara kuno
uya. Then Baba Sharo vakazouyawo vega. Vakawana ndina
Taurai. Vakaita bongozozo vakatora mwana wavo vakaenda
naye.” Muchayemura akadaro.
Mai Togara vakatoseka ndokuti; “Ko aigoita bongozozo
akatanga kuona mukoma Tau pano nezuro here? Akaita
shanje kuti hwaive usiku muri vaviri chete here?”
Mucha akabwaira bwaira ndokutora handbag yake obuda
omhanyira kubasa kwake.
Rodney haana kumuka musi uyu. Akange arara mumba
mamai vake maakakurira kuAvondale. Akatenderera

Page | 65
achifunga mazuva aakatanga kurara naMucha pamubhedha
wake uyu. Akafunga zvavaiseka vachironga kuti muchato
wavo waizove, vana wavo vaizovarera sei, vaida vana vaviri
vasina kusiyana zvakanyanya pazera. Asi apa Rodney aiseka
kuti wetatu aizove we mistake.
Pavaitaura zvekupopota kwamai vaRoddie, Mucha aiti mai
Roddie havapengi kuramba vachipopotera munhu anenge
akazvinyararira. Ndiye Mucha zvakare akange ati vaizogara
namai Roddie mumba umu kuti amai vaone kuti mhuri
yakura asi Roddie wavo vanaye. Zvakange zvazoenda kupi
zvese izvi? Murume akaungudza misodzi.
Akazopukuta kumeso ave kuvhura musuo wake apo
akanzwa pamusuo pave kupondwa nekumarwa
zvakanyanya. Rodney akandovhura musuo Sharon
ndokupinda okwira pamubhedha wababa vake ave
kusvetuka svetuka. Rodney akaramba akatarisa kasikana aka
kaive kakafanana namai vake chimiro asi kaine kumeso
kwaMuchayemura. Akakwanisa kusekerera, Sharon
ndokumhanyira mumaoko ababa vake. Baba nemwana
vakabva vabuda umu voenda kumba yekubikira votsvaga
poriji.
“Nhai baba vaSharon, chiiko chakaitika madeko.” Mai
Roddie vakadaro vachizvidirira kofi yavo.
“Mucha akandiramba, ave nemumwe murume.” Rodney
akadaro.
Mai Roddie vakambofunga ndokuzoti; “aaaah, ok……….
Ko makange muchiri mese here? Ndakafunga kuti akaram wa
pawakaroora Cindy.”

Page | 66
“Ndimi makaroora Cindy. Vese Mucha naCindy
vanozviziva kuti Cindy handimude. But Muchaaaaa………..”
Rodney akabva anyarara. Akangodzungudza.
Vese vakabva vanyarara. Rodney akazopepuka ave
kutsunywa nekusaidzirwa ruoko rwake rwaifanira kudyisa
Sharon bota rake.
Mai Roddie vakabva vazoti; “Ndinogona kundotaura naye
to reconsider. Iye Cindy wacho handiti akapora here
ngaachidzokera Australia. Achiri kuitei newe, wakamubatsira
zvakakwana. Kana ivo vabereki vake kusanyara……..”
“Shuuuuuuuuuuuuuut up!” Rodney akadaidzira
zvakavhundutsa amai nekuchemedza mwana. Mbuya
vakatora muzukuru ndokupedzisa kumupa bota rake.
Rodney akasimuka ndokubuda mumba umu. Akaswera zuva
rese akazvivharira, mbuya ndivo vakaswera vachitenderera
mumabhizimisi avo nemuzukuru wavo.
Apo akange ave masikati, mai Togara vakaenda kundopa
huku dzavo chikafu nekuwedzera mvura. Taurai akavaona
ndokubva avavinga.
“Eeeeh, amai………. Mucha akakuudzai kuti pamba penyu
pano pakarwiwa madeko?” Taurai akadaro mushure
mekukwazisana.
“Ataura nhasi hongu. Inga sorry zvenyu mukoma Tau. Ivo
baba vaSharo kuzokurwisai nhasi vatanga kukuonai pano
nhasi?” Mai Togara vakadaro vadziurira Tau uyo akange
opedzisa kugadzirisa zvehuku zvaakawana vachiita.
“Amai eeeeh, munoziva imimi kuti chero Sharo uyu asati
azvarwa, Mucha ndaingomuda. Ndakamumirira. Iyezvino

Page | 67
yasvika nguva yekuti tidanane. Handidi kukuhwandirai amai
vangu.” Tau akadaro ave kugumha gumha maoko akange aita
seemugaisi nekubata chikafu chehuku.
“Kutadza kupfimba kwako hakozve. Ungatadze musikana
anogara padyo newe kuti zvaita sei?” Mai Togara vakadaro.
“Tave kuwirirana amai. Ndinoda kuroora Mucha nguva ipi
zvayo yaanenge angobvuma. Haaaa tinowirirana kana
Denhere anoziva, eeeh anoziva ndosaka akaita bongozozo.”
Tau akadaro akatarisa mai Togara nekona yeziso. Aida kuziva
kuti vainyatsozivei nezvakange zvaitika mumba mavo.
“Togoona zvamuchaita, inini ndaneta nyaya idzi.
Ndongoti chero vana vangu nemuzukuru wangu vari
vatano.” Mai Togara vakadaro ndokuchururudza Taurai
mvura achigeza maoko.
Taurai akabva aoneka ndokuenda, mai Togara
vakamutarisa achifamba vakaona kuti akange akafarisa uye
akasununguka kupinda mamwe mazuva.
Panguva dzekudya masikati, Mucha akange ari kubasa
kwake kuMedix Wholesale. Akaona motikari yamai Roddie
ichimira vachiburuka nemwana wake Sharon. Akabva
angosvova ndokuenda kuseri uko akandohwanda. Mai
Roddie vakakwazisana namai Katiyo ndokumboita dzimwe
nyaya ndokubva vazobvunza kwaive naMucha. Mai Katiyo
vakatsvaga Mucha pese pese asi havana kumuona.
Vave kuperekedzana namai Roddie vakabva vazoti;
“Mange muchimudiiko Mucha nhai vakoma?”
“Ndimai vemuzukuru wangu mukuru, ndingashaye
zvekutaura naye here?” Mai Roddie vakadaro mai Katiyo

Page | 68
ndokuramba vakanyarara. Vakaparadzana mai Roddie vasina
mufaro.
Mai Katiyo vakashamisika kuwana Mucha arimo asi
vakange vabuda asipo.
“Ko ndafunga kuti waenda kuLunch, mbuya vemwana
wako vauya vachikutsvaga.” Mai Katiyo vakadaro. Mucha
akaramba akanyarara. Mai Katiyo vakange vovaviwa nzeve
nekuda kuziva zvaiitika kwaDenhere. Kuda kutaura
kwaMucha namai Roddie nyaya dzavo kwakavaratidza kuti
pane nyaya.
Mushure memwedzi miviri, Sharon asina kudzokera
kwamai vake, mai Roddie vakazogara pasi naRoddie
vomubvunza.
“Uri kurongeiko nemwana. Sharon ane gore nemwedzi
mitatu, wabva wamutora zvachose kubva kuna amai vake
une chokwadi? Achiri mudikisa kuparadzana namai vake.”
Mai Roddie vakadaro.
Roddie aichinja chiso pese paitaurwa nyaya yaMucha;
“Hamusi kuda kumuchengeta here mamma? Amai vake
makavaramba pano. She will never be muroora wenyu. Job
well done. Ko mwana wanguwo? The way you love me
ndokudawo kwandinoita Sharon. Kana musingade kuti agare
pano, neniwo ndinobva.”
Mai Roddie vakaramba vakatarisa mwanakomana wavo.
Vaiona kurwadziwa kwake asi vakange vasingakwanise
kumubatsira; “Makaita seiko naamai acho? Ndiri kungoti
baby anofanira kugara naamai vake achishanya kuno. Manje

Page | 69
ave kugara kuno, kwaamai vake haasi kana kushanya.
Sezvamaingoita kubvira achizvarwa.”
Roddie akagomera ndokuti; “Mucha is getting married.
Mwana wangu haachengetwe nemumwe murume kunge
ndakafa. Amai vacho ngavaite zvavanoda but not with my
daughter. ”
Mai Roddie vakabva vambonyarara vachifunga ndokuzoti;
“Zvakanaka mwanangu. Ndinogara nemuzukuru wangu.
Mupengo wako uyo Cindy haavimbike kuti angagara
nemwana ari ega.”
Rodney akafinyama ndokusimuka achiti; “Ave wangu
nhai?” Akaridzira tsamwa mumatadza ndokusimudza
mwana wake vobuda mumba umu.

Page | 70
CHITSAUKO 07

Mai Togara pavakaona nguva ichifamba muzukuru wavo


asina kudzoka kumba kwavo zvakavanetsa. Vakatanga
vachibvunza Mucha asi aingoyerera misodzi asina mhinduro
svinu yaaitaura. Vakazofunga kuenda kuPharmacy
paMakomva paive nababa vaSharo. Mai Togara vakangosvik a
vachimunanga ndokukumbira kutaura naye. Rodney
akakumura bhachi rake jena rebasa ndokubuda panze
naambhuya vake ava.
“Ko nhai mukwasha mungabva maita utsinye kudaro
zvaita seiko?” Mai Togara vakadaro vachiedza kuzvibata
chaizvo. Vaive nehasha nababa vemuzukuru wavo ava.
“Excuse me? Muri kutaura nezveiko?” Rodney akadaro
asina mufaro, kana mai Togara vakaona kuti mukwasha wavo
akange achiedza kuzvidzora kuti asakurirwa nehasha
dzaibudira pahuma, uye kusuruvara kwaionekwa mumaziso
ake.
“Ko kuparadzanisa Sharon namai vake ndokudii? Kana
makazoona kuti Mucha hamumude, makatadza
kungozondiudzawo ndakawana kunyaradza mwana wangu
murugare? Kuba mwana mucheche akadaro ndohutsinye
chaihwo.” Mai Togara vakapopota.
Rodney akaruma ruma miromo yake achidhonza
zvigunwe zvake akatsikitsira. Mai Togara vakaenderera.
“Saka iro benzi reku Hlanyeni, Ngomahuru dzeOstirelia
Page | 71
ndoringagona kuchengeta muzukuru wangu kupinda am ai
vake? Haunyare murume mukuru kunyepera Mucha
kwemakore kudaro? Dai wakatombobvisa dhemeji zvayo.
Manje zero zero, busy kuchata nemupengo……..”
Rodney akafinyama nehasha; “At least Cindy
anokanganisa mukurwara. Yes Cindy mupengo as you say it,
anonwa mapiritsi achipora. Ko chipfambi chaMucha
chinomwirwa mapiritsi api acho?”
“Hezvo, asi unondishura? Mucha ave pfambi nhasi asi
ndiwe wakamupa mwana ukamusiya. Unouya uchirara
mumba mangu madiro unoti ndinofara nazvo? Ndokudii
ikoko?” Mai Togara vakadaro vave kushatirwawo.
“Aaaah, amai, ndakatozozivawo kuti handisini ndega
ndinorara mumba menyu. Munoziva zvakaitika musi
wandakazotora Sharon here?” Rodney akazodaro asisina
chokwadi chekuti vaitaura zvavaiziva vese.
Mai Togara vakabva vati; “Ungapengere mukoma Tau
vakakura naMucha? Dai vaidanana kana Sharo aizozvarwa
here? Vangadai ……….”
Rodney akadzungudza ndokuti; “Now I understand.
Mucha neboyfriend yake havana kukuudzai chokwadi.”
Rodney akadaro miromo yacheneruka neshungu nemwoyo
wairwadziwa.
Mai Togara vakaterera vave kuvhiringikawo. Rodney
akabva ati; “Endai mundobvunza Mucha kuti what exactly
happened musi wandazotora Sharon zvachose.”
Mai Togara vakabwaira bwaira ndokuti; “Yuwii chero iye
abata mukadzi nechikomba ndiye anodaro here?”

Page | 72
“Exactly, not zvemakuhwa but ………….ok. I overtrusted
Mucha’s love for me. I thought we had something special,
something unbreakable. Handina kufunga kuti angadaro.”
Rodney akadaro ndokutendeuka osiya mai Togara vakamira
vega.
Vakaenda kumba kwavo vaine mibvunzo yakawanda
mumusoro mavo.
Vakawana Mucha akarara hope chaidzo. Vakaita
wekutodhonza kuti amuke agare pasi. Mucha
akambondogeza muviri ndokutevera amai vakange vave
mumba mekubikira vobika kudya kwemanheru.
“Ndataura nababa vaSharon. Chii chaizvo chakaitika m usi
wavazotora Sharon.” Amai vakabvunza.
“Iye ati chii?” Mucha akadaro achinge achatiza kutaura
nyaya iyi.
“Atika ndikubvunze.” Amai vakadaro. Mucha akanzwa
makumbo kupera simba ndokudhonza chigaro chaive umu
ogara pasi.
Amai vakabva vati zvakare; “Sei baba vaSharon achifunga
kuti iwewe naTau munodanana?”
Mucha akatsenga tsenga mukanwa ndokuramba
akanyarara. Mai Togara ndopavakazomutarisa.
“Hezvo? Asi ndosaka wakatadza kurwira mwana wako?
Chiiko nhai Mucha?” Mai Togara vakadaro. Mucha haana
kupindura, amai ndokuenderera; “Vhiki yese yapera
wairwara wakapedza wakarara. Ndakatofunga kuti istress
neBP dzemwana wawakatorerwa naDenhere. Ndosaka

Page | 73
ndazofunga kundotaura naye nhasi.” Mai Togara vakadaro.
Mucha misodzi yakangoerera akanyarara.
Mai vakabva vambodzima chitofu ndokugara pasi.
“Chindiudza zvese tiendererere mberi neupenyu. Chii
chakaitika mumba muno?”
“Roddie akandibata ndina Tau, tange tisina kunyatsomira
mushe.” Mucha akazodaro. Akange afunga kutura mutoro
wake kuna amai vake.
Amai vakashamisika ndokuti; “Kumira mushe sei? Uri
kurara nevarume vanganiko nhai Mucha? Ndosaka Denhere
akuti une chihure chinoda mapiritsi sembengo dzemukadzi
wake nhai.”
Mucha akashama muromo ndokuhuta achirwadziwa
nemashoko akange ataurwa pamusoro pake nemurume
waaida zvakanyanya.
“Ndine nhumbu amai………” Mucha akazodaro.
“Yoweee………..” mai Togara vakarova tafura yavo
nemaoko ese vachishamisika nekupererwa. Mumba
makambonyararwa.
Amai vakange vodikitira nehasha; “Inhumbu yaani futi
Mucha iwe.”
Mary akange achiterera nyaya idzi akabva angopinda
ndokuti; “Ndeya mukoma Tau mhamha. Ende Mucha
akaenda kwamai Poshia vakamupa midzi yekubvisa.
Ndosaka airwara last week yese. Haadi Tau ende haana
kumuudza. Mai Poshia vakati adzoke nhasi vazomupa second
dose.”

Page | 74
“Ndomashura chaiwo aya.” Mai Togara vakadaro
ndokusimuka, vakahwezengura ruoko rwaMucha ndokuti;
“Iwe namai Poshia vako ndoda kundokudaidzirai mapurisa.
Benzi remwana. Ndochii chaunodzidzisa vadiki kwauri? Sisi
vakuru kuita upenyu hwese uchipusiswa nevarume. Unoda
shamhu chaiyo.”
Vakafamba nzira yese vachipopota kuenda kwamai Poshia.
Vakawana vari mumba mavo vachikirosha madhoiri avo
avaindotengesa Joni.
“Mai Poshia, sei kudai mwana wangu so? Wakatadza
kundiudzawo kuti mwana ndozvaaita chokwadi?” Mai
Togara vakadaro vachifemedzeka.
Mai Poshia vakatoseka zvavo ndokuti; “Hanziiko nemai
Sharo nhai? Mucha taurira amai vako chokwadi.”
“Ndakauya kuzokumbira mushonga unobvisa nhumbu.
Mukandipa midzi mai Poshia imimi.” Mucha akadaro
ahwanda kuseri kwamai vake.
Mai Poshia vakabva vati kuna mai Togara; “Nhai mai
matwins, inga unoziva wani kuti ini midzi yangu
ndeyekuuchika, kubatsira varume vane hurume husina
kusimba, kana kusimbisa nhumbu kune vaya vane nhumbu
dzinobva. Saka wekusvotora mimba ndouwanepi?”
Mai Togara vakabwaira bwaira, mai Poshia ndokuti;
“Endai kuKiriniki. Kana chiremba akandoti pane
zvakakanganisika mudzoke nemapurisa. Nhumbu yaMucha
ndakaisunga chishwe chaicho. Chero akanwa mapiritsi
ekuibvisa haibvi. Iwe Mucha, kubasa kwako kune

Page | 75
makondomu nemapiritsi ekudzivirira kubata nhumbu. Unwe
iwayo kwete kuzoda kudzingisa mai Poshia muraini.”
“Makaita basa vasikana, regai ndinotonga nyaya dzebenzi
rangu ndiri kumba.” Mai Togara vakadaro ndokubuda vega
vachisiya Mucha achitevera kumashure ari ega.
Vakasvika ndokutuma John kundodaidza Taurai. Vese
vakagara mumba amai ndokuti; “Imi mukoma Taurai
naMucha, zvamaiita musikireti nhasi zvabuda pachena.”
Taurai akatarisa Mucha uyo akange akatsikitsira. Amai
vakange vakagumbuka chaizvo vakange vasina nguva
yekutambisa; “Mucha ane mimba uyu. Yotosvitsa mwedzi
mitatu. Ndizvoka imi vakoma vepano?”
Mucha akagutsurira.
“Aaaaah, ko sei kusandiudzawo mudiwa wangu? Ndiitei
makorokoto kani amai. Ndinokuroora Mucha. Ndotoenda
kumusha kuNharira izvozvi ndonotaurira vabereki vangu.”
Taurai akadaro nemufaro mukuru.
“Amai handisi kukudhererai, ndichengetereiwo mudzimai
wangu. Kana kuti ndombomuendesa kwasisi vangu mai
Kuda kuFiyo. Amai vangu vave nemuzukuru, mwana wangu
inini……..” Taurai akabva asimuka ndokubuda achisiya Mary
namai vake vachiumburuka nekuseka.
Mary akabva ati kuna Mucha; “Ndomurume manje uyu
kwete zvako zvekuswera uchidzingirirana nemusha wese
vachibatsirana kufunga kuti woroorwa here kana kuti worega
sekuti vakarara newe vese. Denhere idiots.”
“Regai ndibva ndafonera tete venyu vaudze vana
babamudiki venyu. Wabviswa kusekwa nekupomerwa

Page | 76
mazita ese ese Mucha mwanangu wena.” Mai Togara
vakadaro vave kusimuka.
Mukoma nemunin’ina vakasara vega, Mary ndokuti; “Iiiiih
mwana wamai vangu, Tau anokuda wena, baba vaSharon
rega vaende. Vese naamai vavo vakakutsvinyira
zvakanyanya. Vachanyara wave neimba yako. Ivo mazimari
avo achiperera kutenga mazimishonga ekurapa upenzi. Naivo
mbuya vaSharo ndofunga vari pamapiritsiwo.”
Vakamboseka vese asi Mucha aiita kuseka
kwekumanikidzira. Mary akazviona ndokuti; “Chii nhai sisi?
Ndiudze tibatsirane.”
“Taurai handimude inini.” Mucha akadaro.
“Iiih vakoma, motodzidza kumuda, ana tete vakazvinzwa
kuti mairara nemunhu wamusingade amai vanopinzwa bhizi.
Mange makatsamwira baba ‘aSharo mukafunga kumbonzwa
mhepo naTau? Pakaipa wena, pakaipa. Asi roorwai naTau
zvipfuure.”
“Ndosaka ndaida zvangu kubvisa, mai Poshia
vakanditamba 10 – 0. I have a feeling Roddie airevesa. It’s just
that maitikiro ezvinhu zvacho ange ave kurwadza uye zvange
zvave kutora nguva yakareba.” Muchayemura akadaro.
Mary akakwidza mapipito ndokuti; “Hamenowo asi life
has to go on. Ngatimboitai zviri pano. Muchato wenyu
naRoddie wakanyanya kurwiswa zvekuti zvatooma wena.
Siyanai nazvo.”
Muchayemura akaramba akanyarara.
Pakupera kwemwedzi uyu, Taurai akabva andoroora
Muchayemura. Vekumhuri kwake vese madzitete nanababa

Page | 77
vakatsigira marooro aya nekuonawo mukwasha wehama
dzavo vashakabvu. Muchayemura akabva atama pamba
paamai vake ondogara naTaurai paairoja. Akange ave mai
Madzivanyika.
Mushure mekuroorwa kwake, amai Togara vakabva
vazoenda kumba kwamai Roddie. Mai Rodney vakashamisika
kunzwa vofonerwa namai vaMucha. Vakataurirana
ndokusangana kumba kwamai Roddie kuAvondale. Mai
Togara vakashamisika nekufarirwa kwavakaitwa
nemudzimai uyu akange ambovashura pamusha pavo.
Sharon akafara zvakanyanya kuona mbuya vake ava. Mai
Rodney vakange vakafara chaizvo vachitaura zvekutenga
nekutengeserana namai Togara.
“Ndafambira nyaya yemuzukuru wedu uyu mbuya
vaSharo.” Mai Togara vakazodaro.
“Chokwadi, mange mati tidii?” Mai Roddie vakabvunza
“Ndinoziva vana vakazotadza kuwirirana, uye
vakagumbukirana zvakanyanya. Asi ndange ndichiti izvozvo
hazvingaparadzanisi Sharon namai vake. Muzukuru wangu
ngaapote achidzoka kumba kuna amai vake. Murume
akaroora amai vake anoziva mwana uyu uye haana
dambudziko naye.” Mai Togara vakatsanangura nyaya yavo.
“Ichokwadi, kana inini baba vaSharon ndaitovaudzawo
kuti hazviite zvekurwa zvekusataudzana ivo vaine mwana.
Ndichataura naye, uye zvamati imimi mwana anenge achiuya
kwenyu, zvakangonaka. Chisingade baba vacho kuti mwana
wavo aende kumurume wamai vake.” mai Roddie vakadaro.

Page | 78
Mai Togara vakabva vaperekedzwa naSharon nambuya
vake kundosiiwa pamba pavo. Vakarongedzerana miriwo
nehuku mukufara nemukuseka ndokuparadzana.
Mushure mehurongwa uhwu, Mucha akange okwanisa
kuti musi waanenge asiri pabasa, aindotora mwana wake
oswera naye kumba kwake. Sezvo pamba paamai vake
nepaTaurai paive padyo napadyo, vaingoswera kwese.
Muchayemura akabva andosununguka mwana musikana
waakatumidza kuti Monica Madzivanyika. Taurai akafara
zvakanyanya nechipo chemwana ichi. Amai vaTaurai
vakauya ndokugara kumba kwamai vaMucha vese vachiona
muzukuru wavo vachifara zvakanyanya. Hanzvadzi
yaTaurai, tete mai Kuda vaigara kuHighfields vakange
vachishanyawo kuzoona muroora nemuzukuru wavo
zvakanyanya.
Kana Mucha akatanga kufarira kuroorwa kwake. Mhuri
yaTaurai yakange yamutsigira zvakanyanya kupinda
zvaakange aitwa kwanaRodney.
Asi Mucha akange asina kusununguka kutaura namai
vaRodney. Pese pavaiuya kuzosiya nekutora Sharon, vaitoda
zvekupinda mumba vachigara vachiita nyaya. Aivasiya
vachitaura namainini vake. Ivo vakaedza kutaura naye asi
pakati pavo pakange pasina rudo kana kuregererana. Mucha
akange asingavafarire zvachose, haana waakaudza uye
aitenda kuti vaimuchengetera mwana wake zvakanaka.
Kugara kwavo naSharon kwaiita Mucha afare pane kufunga
kuti mwana wake aive kuna Cindy.

Page | 79
Mushure mekuzorora kwemwedzi mitatu apo
aisununguka mwana wake, Muchayemura akazodzokera
kubasa. Akawana kubasa kune matsamba aiti vanhu vese
vakange vasina kosi yaiendereana neCompany yemishonga
vakange vachizomiswa basa mukati memwedzi mitatu.
Company yaida kuchengetedza mari saka yaizoregesa
vanhu vese vaisave nedzidzo yekuita zvakawanda pabasa.
Vakange vaita kosi yekuve Dispensary Assistant kuGomo
refundo ndivo vakange voita zvese kuchenesa nzvimbo
nekupawo mishonga kubatsira Pharmacist mukuru webasa.
Kosi iyi yaitora mwedzi mitanhatu. Muchayemura akange ave
kumashure nenguva.
Kana iye akazviona kuti nyangwe akada nhangemutange
yacho, nguva akange asina, uye akange aine mucheche
waaiyamwisa. Akabva angosiyana nazvo ndokumirira
kupiwa penjeni yake nekusiya basa zvimwe aizozviona
nekufamba kwenguva.
Mushure memwedzi mitatu, vese vakange vasina fundo
vaishanda kuMedix Pharmaceuticals nemamwe makambani
ayo, vakabva vamira basa. Mucha akabva apiwawo mari yak e
yaakange ashanda kwamakore aya ndokundogara kumba
kwavo naTaurai achirera mwanasikana wake Monica.

Page | 80
CHITSAUKO 08

Mucha akatanga kubatana namainini vake pakutengesa


kwavaiita. Asi semunhu aive nemwana mucheche, akange
asingabude kunze kwenyika. Amai ndivo vaindotenga, iye
ozotengesa.
Pakugarisana kwaakaita naTaurai, Muchayemura akaona
kuti zvese zvaitengwa nezvaidyiwa mumba umu, zvaibva
pakutengesa kwake. Taurai aingokwanisa kubhadhara
mutero weimba yavaigara chete. Paaitobhadhara pacho
aichema chema nekuti yakange yave mipanda miviri. Aiti
saka mari yaaibhadhara mumwe mupanda ndoyaifanira kuve
yekudya nekupfeka kwake. Izvi Mucha aizvinzwisisa sekuti
murume aireva kuti saka akange asina imwe mari yekuzoita
zvimwe mumba. Uye iye nemwana vakange vachidhura
kuchengeta.
Pane chekudya nechekupfeka chemhuri yese
kusanganisira naivo baba vacho nemwana mucheche, ndiye
Muchayemura akange achitenga.
Apo Monica aive mucheche, Muchayemura akatora
mbatya dzese dzaimbove dzaSharon ndokupfekedza Monica.
Asi nekufamba kwemwedzi Monica akange ave kusimba
zvakanyanya kupinda zvaive Sharon ari mudiki, naizvozvo
akange asingachakwani mbatya idzi.
Chimwe chaisvota Muchayemura kwaive kuwacha
manapukeni. Taurai ndiwo aakange atenga akawanda. Aye
Page | 81
ekushandisa achiraswa akange ari ekusvondo, kukiriniki
nepaaishanya chete. Muchayemura akafunga mazuva
aSharon ari mucheche apo aitogovera vamwe minapikeni iyi
yemapepa apo Rodney aitenga yaasingafariri. Kana kuti apo
Rodney aiti mwana ari kuitiswa mapundu nemimwe
minapikeni yavaitenga isina mazita ine mukurumbira
nekudhura zvavaida.
Muchayemura akatanga kuenzanisa marerero aakange aita
Sharon, achienzanisa nezvaakange ave kuita Monica, mwoyo
wake ukarwadza. Sharon airerwa kumba kwavo kana
kwamai Roddie aine zvikwanisiro zvese. Muchayemura
hapana musi waakambobudisa mari yake kutenga
chekupfeka kana chekudya chemwana.
Zvizhinji zvakaita semikaka nekumwe kudya
kwavacheche akange azvizivira kuMedix Pharmacies. Asati
aita mwana naPharmacist vekwaDenhere, akange
asingazvitarise zvemikaka yevana vevarungu vasingade
kuyamwisa. Asi wake Sharon akange anwa zvese kubvira
paakangosvika mwedzi mitanhatu. Nhasi akange ave
naMonica omurera nemaheu.
Nemumwe musi manheru, Taurai akauya nehove kuti
vazodyisa sadza manheru aya. Muchayemura akabika
akanyarara akafundumwara mwana ari kumusana.
“Mai Momo, kwakanaka here? Warwara here kutsamwa
kudaro?” Taurai akada kuziva.
“Kuchiri kunaya here?” Mucha akadaro misodzi
yekuchekerera hanyanisi ichiyerera seichapinda mupoto.

Page | 82
“Inga zviri kungonzwika pachena kuti mvura iri kudonha
ichirova marata wani.” Taurai akadaro. Muchayemura
akangoridza tsamwa ndokunyarara.
“Ko chii, ndaita sei?” Taurai akabvunza Muchayemura
ndokuramba akanyarara.
Pave paya Mucha akazoti; “Manepi emwana apera, ese
manyoro andiri kuwacha haasi kuoma nekunaya uku. Kana
mbatya dzake dzave kutopera dzese dzandiri kuwacha
hadzisi kuoma.”
“Saka inyaya here iyoyo ingatotsamwisa? Munenge
muchida kuenda kupi? Unomuputira nematowel ake ayo.
Mamwe tora aSharo.” Taurai akadaro.
Akabva aburutsa mwana ndokumuradzika ndokudzoka
opedzisa kubika. Akapakurira baba vemba vega iye
ndokurega kudya.
“Ko hausi kudya here nhasi?” Taurai akadaro achitimba
musuva wesadza.
“Fish dzinoshata handidzidi.” Mucha akadaro akatarisa
divi.
Taurai akatarisa mudzimai wake ndokuti; “Aaah, mai
Momo. Nezuro ndakauya nebhifi ukati hauide, nhasi ndauya
nehove, dzoshatazve. Saka unoda kudya chii?”
“Beef yaunotenga that cheap quality inotemwa nedemo
inenge yakazara twumabhonzo twunobaya mukanwa mese?
Yakaomarara inozoibva gas rese rapera? Ndoyaunoti ndidye
iyoyo?” Mucha akadaro neinzwi raive pasi asi achiratidza
kusafara kwese.

Page | 83
Taurai akatanga kutimba misuva yesadza zvehasha
neshungu ndokuti; “Aaaaah nhaiwe. Mukadzi wemumba
anoda nyama dzekugocha ndokudii? Ugoenda pagango
pawakapfimbirwa naDenhere mundodya soft steak. Ini
ndazvitadza ini.”
Taurai akambonyarara achitsenga; “Unotsamwira mvura
inonaya, zvopedzisira zvave zvenyama dzechihure ndokudii
ikoko? Mai Togara vanofanira kunzwa nyaya iyi. Unofanira
kumborairwa, pawakamitiswa hapana akakuraira kuti
ugarisike uri mumba ndopane problem yako. Handingagare
nemunhu anofunga zvihwitsi zvaaidya nechikomba chake
ini.”
Muchayemura akapunyaira ndokusimuka obereka mwana
kumusana, akabva ati; “Ndichamboenda
kwamhamha……….” Pasina mhinduro akabva abuda
ndokumhanya murima mainaya achienda kumba kwavo.
“Chiiko unomhanya murima uchipinzisa mwana
nechando.” Mai Togara vakadaro vachibatsira Mucha
kuburutsa mwana akange ochema nechando.
“Zvinonetsa izvi, Tau wacho haanzwisise.” Mucha
akadaro.
Vese vemumba make vakangomutarisa vachida kunzwa
zvimwe. Iye akabva asimuka oenda mumba make mekurara.
Akandosvikoburutsa Monica ndokumurarisa pakamubhedha
kairara Sharon achiri mudiki. Akavhura vhura pese paisigara
mbatya dzaSharon misodzi ikayerera.
Akatarisa Monica akarara, akafunga Sharon akarara apa,
baba vaSharon vari pamubhedha. Misodzi yakayerera ari ega

Page | 84
kudaro. Kana paakazorara, mutsamiro wakatota nemisodzi
yekurwadziwa nezvaaifunga kuti dai zvakaitika muupenyu
hwake.
Pazuva rakatevera, Mucha akapepuka ave kuteiwa nezuva,
maketeni emumba maairara akange avhurwa uye mwana
Monica akange asisiri mukamubhedha maakange amurarisa.
Akamboita nguva achifunga achibva kuhope. Akakwanisa
kubatanidza zvakange zvaitika zuva rakange rapfuura
nepaaive nguva iyi. Akaridza tsamwa ndokumuka ondogeza.
Paakazoenda mumba mekutandarira akawana amai vake
naTaurai vachinwa tii vachiita nyaya.
“Mai Momo, wakabva watiza zvachose?” Taurai akadaro
achiswedera kudivi rimwe chete resofa achisiya nzvimbo
yekuti Mucha agarewo. Asi Mucha akandogara pasofa
remunhu mumwe chete. Akabva atora mwana wake
oyamwisa.
Taurai akabva ati; “Amai sezvandange ndichitaura,
mumba medu hamuna rugare. Kanyaya kadiki diki
kanopedzisira ratove zinyaya.”
“Chiiko nhai mai Madzivanyika mwanangu? Murume
wako haasi kufara nezvauri kuita.” Mai Togara vakabvunza.
“Zvaataura ndizvozvo, kanyaya kadiki kanopedzisira rave
zinyaya rinotondishamisawo kana neni.” Muchayemura
akadaro.
“Nhai amai, ndinoita sei kana ndichipinda mumba munhu
akangoti kwindi. Uchitaura naye chero zvinosetsawo
haakupindure. Anenge ari pafoni pake kana kuti anokutarisa
akafinyama. Kana ndikati tiverengewo nyaya dzedzimba

Page | 85
dzinonakidza dzepaFb otoita hasha. Haasiye Mucha
wandinoziva ini.” Taurai akadaro.
Mucha akabva atiwo; “Munhu anongotaura twunyambo
tweparank twusina nematuro ese. Ukamubvunza mari
yehupfu haana kana plan. Saka todya nyambo here? Todya
nyaya dzebonde dzaHonorable Max naDzindi here? Bonde
racho ungariita une nzara uchitsimbirirwa nehapwa
dzinonhuwa dikita munhu asingabvise bvudzi nekuisawo ka
roll on? Kuroorwa ijere retsvina here?”
Amai Togara vakabva vati; “Mese makazara kutsamwa
neshungu. Chii chamuri kunyanya kurwadzisana? Nyaya
dzamuri kundiudza pano ave maresults enyaya chaidzo dziri
pasi pemwoyo yenyu. Taurai nyaya dzenyu chaidzo dzave
kukonzera zvese izvi.”
“Mucha anoda kupiwa mari zuva nezuva sezvaaiitwa
naFamasisiti vaye vaakahura navo kwemakoree…………..”
Taurai akadimbudzirwa navese mai nemwana vakati;
“Aaaah!”
Muchayemura akada kusvipira Taurai mate kumeso,
akabva ati; “Muri kuzviona mhamha? Munhu anoita jealousy
nemurume akatozvigarira kumba kwake achizvichengetera
mhuri yake zvakanaka. Kukwana here ikoko?”
Taurai akabva atiwo; “Mukadzi wandakaroora, anogara
mumba mangu asi achifunga chikomba chakamusiya,
chinotove nemukadzi wacho kumba kwavo. Kuita sei ikoko?”
Taurai akaenderera; “Marriage rudzii isina bonde.
Kumubata ndinosabvurirwa kure kunge ndine maoko
anopisa. Bonde rese rinoitwa mumba medu ndinenge

Page | 86
ndatomubhinya uyu. Ave panze odaidzwa kuti Mrs
Madzivanyika, ndotosham hangu kuti huMrs hwacho
ndohwekuitei neni. ” Mai Togara vakaramba vakanyarara.
Nyaya yakange yavakurira.
Taurai akabva azoti; “Ndiri kuti inini Mucha andipewo
mari yake yePenjeni ndigadzirise paGarage pangu. Kana
ndikaita kaWorkshop kanoratidzika zvakanaka zvinounza
maCustomers and ndinoshanda zvakanaka. Asi anoramba
kuti arambe achindituka nekundishungurudza kuti
handigone kuchengeta mhuri yangu. Hakusi kutsvaga kuve
pfambi here ikoko mukadzi wemunhu?”
Mumba makambonyararwa, amai ndokuzoti; “Mai
Madzivanyika hanzi ndipeiwo mari ndigadzirise business
rangu.” Mucha akatarisa amai vake ndokudzungudza
nemuviri wese.
Taurai akakurumidza kuti; “Mazvionaka, you see amai,
you see. Mucha anoita seane kumwe kwaachandogara kana
imwe mhuri yaachazove nayo isina inini. Imbomutsiuraiwo.”
“Zvakanakai mukwasha, ndichasara ndichitaura naye
mudzimai wenyu.” Mai Togara vakadaro, Taurai ndokuoneka
oenda paMakomva pagaraji pake paive nemigweje yemota
yaaiedza kubatanidza.
“Iwe Mucha, zveimba zvinenge zvichakuramba. Unoda
kudiwa kwakaita sei? Sei usingaremekedzi murume anokuda
kudai akakuroora?” Amai vakadaro vasina mufaro. Mucha
akaramba akanyarara asingade zvekutsanangura.
“Wadii wangomupa mari yacho, womukurudzirawo
kushanda kuGaraji kwake. Nekuti chokwadi kana mumba

Page | 87
musina mari zvakatooma. Munorwira kuti nhunzi
yandimhara iyo ndiwe waituma.” Mai Togara vakadaro
ndokuseka vega, Mucha akangonyemwerera achisvotwa
nekubatsira Taurai.
“Ndichandonzwa kuti anoda kuitei chaizvo.” Mucha
akazodaro afunga kuti kana amai vataura ngavatererwe.
“Anditsanangurira zvakanaka chaizvo, anoda
kunyatsovaka pekugadzirira motikari dzese. Ataurawo
nezvekutenga mishini yeCar wash agoisa kwakasiyana
siyana. Mukaita mese zvinobatsira wena.” Mai Togara
vakadaro.
Vese vakambonyarara, amai ndokuzoti; “Iwe dai
wachirega zvekumuenzanisa naDenhere. Baba vaSharon
vakatopfuura. Zvakatopera. Dai wachitofarira upenyu hwak o
hwanhasi ugadzire kufara nezviripo.” Muchayemura
akaramba akanyarara.
Usiku uhwu, Taurai akauya zvakare kumba kwamai
Togara. Vakadya vese semhuri, Taurai ndokuzoenda
nemudzimai nemwana wake kumba kwavo.
“Ndange ndichitaura neboys vanogona zvekuvaka uye
vanoziva zveCar wash. Tanyora zvinhu zvakawanda wena.”
Taurai akabudisa mapepa akange akanyorwa zvakawanda
wanda ndokuti; “Quotation yacho iyi.”
Mucha akatora ndokutarisa mari dzakange dzakanyorwa
apa ndokuti; “Hezvo, ndomari yacho yaunoda kubva
kwandiri iyi? Ndomari yangu yeseka iyo yandakapiwa
kuMedix.”

Page | 88
Taurai akakurumidza kuti; “Pakangopera kana ndikatanga
zvese uri kuona here kuti mari yese inodzoka yave double?”
“Ummm, mari yandakashanda five years dzese iwe wave
kuiita netwo months? Izvozvo zvekutodaro ndozvinoratidza
kuti inhema chaidzo. Imbotarisai maths dzenyu zvakare.”
Mucha akadaro.
Taurai akasimuka ndokuti; “Watanga, watotanga.
Ndozvega zvaunogona. Kungondidzikisira uchindiita
sebenzi. Saka unoti ndingade mari yakawanda kudaro
yekurasa here. Regera nemari yako kana usingade. Handina
nungo ini, ndinoshanda, ndinodya zveziya rangu.”
Taurai akabva apinda mumagumbeze ndokurara. Mucha
akambosara akagara ndokuzoti; “Ko hamusi kugeza nhasi?”
Taurai akaridza tsamwa ndokufunga musoro akavhara
maziso ake.
Pazuva rakatevera, Mucha akaenda kuBank ndokundotora
mari yese yaidiwa naTaurai ndokumupa. Murume akafara
zvakanyanya ndokuswera ave kumhanya mhanya
kugadzirisa paaida kuvaka paiita garaji rake. Zvese
zvakazoitwa pamazuva aitevera zvakaratidzawo Mucha kuti
chokwadi murume uyu akapiwa zvikwanisiro zvebasa
anoshanda chaizvo.
Vese vakange votarisira kubudirira nekukura kwebasa
raTaurai rekugadzira motikari paMakomva.

Page | 89
CHITSAUKO 09

Mwedzi yakafamba mushure mekuparadzana kwaRodney


naMuchayemura, Rodney hapana zvaakataura kuna Cindy.
Iyewo Cindy akaona kuti mwana akange onyanya kugara
kwambuya vake kuAvondale achiuya kuEastlea musi
weChishanu wega wega.
Nekuda kwekurwara, Cindy akange aregera kunwa
zvinodhaka uye Rodney aisada kuti vaende kunzvimbo
dzekutandarira. Pavaibudawo vachienda kumba kwana
Cindy kana kumwe kushamwari dzavo, vaienda naSharon.
Cindy akatanga achifara paiuya Sharon nekuti Rodney
aiitira mwana wake zvese. Rodney aigezesa nekuchinja
mwana minapikeni. Aipa mwana kudya kwake nenguva
dzake. Kana paaibuda mumba, aienda nemwana wake,
aizondorara kana mwana ararawo. Zvese zvaiitwa pasina
kukumbira kuti Cindy amubatsire. Iye mwana wachowo aive
bhurugwa nebhande nababa vake pane zvese. Nguva iyi
Sharon akange atove nemakore maviri nemwedzi yakati kuti.
Izvi zvakatanga zvichifadza Cindy, asi nekufamba
kwenguva akange ave kusvotwa. Sharon aiita kuti Rodney
akanganwe kuti pane vamwe vanhu vese kana aripo. Kana
mumba mavo, nyaya dzaipera kana Sharon angosvika. Cindy
aifara nekutariswa iye ega nekubatsirwa pamishonga yake
zuva nezuva, asi zvese zvainyangarika kana mambokadzi
Sharon vangosvika.
Page | 90
Asi akange azvidzikamisa nekuti vakange vataurirana kuti
muchato wavo waisasvika kure. Saka kuchengetana kwabab a
nemwana ava kwaisafanira kumunetsa. Ndiye aive
muupenyu hwavo, kana airatidza kusafara navo vaimusiya
ega. Cindy airwara asi aiziva zvakamunakira zvaiita afare.
Kugara semudzimai waRodney kwakange kwamudzikamisa
zvakanyanya.
Upenyu hwavo vese hwaive hwepamusoro, vaifara
zvepamusoro nekuti vakange vakanangana nekupora
kwaCindy.
Nemumwe musi uri Mugovera mangwanani, mhuri
yaDenhere iyi vakaenda kumba kwambuya vaSharon
kuAvondale. Semazuva ese pamba apa paigara paine vanhu
vakawanda chaizvo vaibva kumusha kwana Denhere
kwaSeke. Rodney naCindy vakasvika ndokugara panze paive
nevamwe.
Vamwe vaiuraya huku dzekutengesa, vamwe vaigadzira
sipo zvakare dzaitengeswa namai Roddie uye mai Danny
vaive nevasikana vaisona nekuwacha mbatya dzemubhero
dzaida kuzotengeswa zvakare. Mai Roddie ndivo vaifamba
chivanze chese vachindoita mukuru webasa aitarisa kana
vanhu vese vaishanda zvakanaka.
Zvese izvi zvaiitwa nehama dzemumusha maDenhere,
vese vaizobikirwa sadza mubhodho, panze ipapo. Voseva
nemakumbo nemisoro yehuku, vobhadharwa zvinoenderana
nezvavashanda, vondosiiwa kumusha neCombi yebasa yamai
Roddie. Vese vaizvifarira nekuti vatete mai Roddie vaigona
kuvachengeta, vakange vasina kuomera. Sadza nemabhotoro

Page | 91
vainwa chaizvo, uye mumwe nemumwe aizowana
chekupfeka kubva mubhero.
Pakasvika Rodney naCindy, vanhu vese vakavatarisa.
Vana mbuya nana sekuru vapadyo vakatambira Rodney
nemufaro mukuru, vana mbuya vake vachinemerana naye
nekumbomuurayisa huku dzakati kuti uye kumukuchidzirisa
bhodho rakange raiswa mvura yesadza.
Cindy akabva asara ari ega ndokumira paverandaha
akamirira Rodney, vashoma vakamukwazisa. Vaindokwazisa
vaiita vakatarisa divi vachikurumidza kuti vatize vaende kure
naye. Sharon ndiye akazomununura aenda paari ave
kurondedzera auntie Cindy zvaaiona. Nyangwe
zvaisanzwisisika asi zvakavaraidza mudzimai wababa ’Sharo
uyu.
Pashure Rodney naCindy vakazopinda mumba vese
ndokugara.
“Your family will never accept me.” Cindy akadaro asina
mufaro
Rodney akanyemwerera ndokuti; “Give them time.
Ndogara ndichikuudza kuti don’t expect sympathy from
them. Before that regrettable incident you were very nasty to
them. Saka kana wave kuvada nekuvafarira, vanongoti it’s
because of your sickness.”
Cindy akabwaira bwaira ndokunyarara, akange achitya
chaizvo kuti vanhu vese vaimufungirei. Mushure menguva,
mai Roddie nasekuru baba vaDanny vakabva vazopinda
mumba ndokugara naCindy naRodney.

Page | 92
“Muri seiko kumba kwenyu nekurwara?” Mai Roddie
vakadaro vakatarisa Cindy. Rodney akabata Cindy ruoko
ndokuti; “Cindy is ok. She is calm, no more stress saka
haagare achirwara.”
Cindy akabva atiwo; “Ehe mamma, kurwara kwangu
hakusi kwezuva nezuva nhai. It just comes as an attack and
goes. I am fine now.”
Mai Roddie vakabva vati; “Izvozvo zvakanakisa nekuti
Roddie akati kana wangopora mochiparadzana. Hatingaite
makore tichingotaura nezvedambudziko rimwe chete iroro.
Muri kurongei?”
“Dai paine zvatiri kuronga taikuudzai mamma. Kana
takanyarara kudai tinenge tichifara nezvatiri.” Rodney
akapindura amai vake.
Sekuru baba vaDanny vakabva vati; “So, can we say mese
pamaitaura zvekuti muchasiyana kana muzukuru Cindy
adzikama, yes kudzikama hakusi kupora, makataura kuri
kutya? Now majaira situation mazofunga kugara mese?”
Cindy akadzungudza, Rodney ndokukurumidza kuti;
“Chokwadi sekuru, ndakange ndisingazive kuti tichararama
sei. Asi nguva yese yatakagara tese ndakaona kuti zvinoita.”
Mai Roddie vakatarisa Cindy ndokuti; “Endai panze apo
mundobatsirana navamwe zvavari kuita. Tinoda kumbotaura
nababa Sharon.” Cindy akabva angosimuka ave kubuda.
Mai Roddie vakatarisa mwana wavo ndokuti; “Uri kuti
chiiko iwe? Watoshinga kugara nebenzi iri kweupenyu
hwako hwese?”

Page | 93
Rodney akatsikitsira ndokunyarara. Sekuru baba vaDanny
ndokuti; “Imbotererai vatete tinzwe zvavakaronga vese. Iwe
Roddie tinoda kuziva kuti upenyu hwako hwakamira sei.”
“Mai Sharon vakaroorwa, atove nemwana nemurume
wake. Munoda ndisiyane naCindy ndigotora mukadzi
wechitatu? Zvandiremera ini.” Rodney akadaro.
Mai Roddie vakabva vati; “Unoziva here kuti hupenzi
hwemukadzi wako hunopomeranwa. Vana vaanozvara vese
vanotoredzera. Unoda kutanga breed yemapenzi mumhuri
medu? Hazviite handidi.”
Rodney akabva ati; “Chinditsvagirai mukadzi wacho
wamunoda imimi. Ndaneta nazvo. I am just happy ndina
Sharon wangu. As for Cindy, kana akaita nhumbu inenge iri
mistake hombe. Haakwanise kuchengeta mwana uyu.”
Sekuru baba vaDanny vakabva vati; “Iwe ndiwe unogara
naye. Ndiwe wave kutoratidza kuti unomunzwisisa chaizvo.
Zvaunoona tichitaura kudai kutotya nekutyira muzukuru
wedu. Ini handitombodi kuti Sharo asare namai avo vari
vaviri. Neve never.”
Mai Roddie vakagutsurira vachiti; “saka iwe unoti munhu
anombodhunya zvekukumura mbatya nekuparadza imba
angarera mwana? Hazviite.”
Rodney akabva ati; “Cindy ndiye mudzimai wangu, dai
matondibvunza kuti tiri kuzvigona sei.”
Mai naSekuru vakabva vangonyarara vaona kuti hapana
zvavaitaura zvaizosandura zvakange zviripo sekufunga
kwavaiita. Rodney akabva aoneka kuti aende kumba kwake
nemhuri yake.

Page | 94
Sekuru vake vakamuperekedza pamota yake vachiti;
“Vatete havachanyanyopenga zvavaiita kare. Dai zvawataura
nhasi izvi zviri izvo zvawakataura mai Sharo pavakaita
nhumbu nhasi tese tingadai tichifara.”
Rodney akabva ati; “Is it mamma havachapopoti or ndimi
maingovatya, exaggerating zvavari? Or vakaona kuti
vakakanya so she is now more tolerant?”
Sekuru vakabva vati; “I think a bit of everything.
Pakakanganisika yes, asi chiregerera amai vako. Shungu
dzavo kwaive kuti uwane upenyu hwakanaka. Ukaramba
woita seunogara a miserable life vanotozorwawo.”
Rodney akangoramba akanyarara ndokupinda mumota
umo makange magara Cindy naSharon ndokuenda kumba
kwavo kuEastlea.
“Hama dzako havasi kufara nemarriage yedu Roddie.”
Cindy akadaro apo vakangopinda mumba mavo.
Rodney akamboterera zvaaiudzwa naSharon uyo akange
omurova rova makumbo kuti amuterere. Akabva azotarisa
Cindy ndokuti; “Do you want my free advice?”
Cindy akabva ati; “Of course you know them better.”
Akabva adira juice mumagirazi maviri nemukapu yaSharon.
Sharon akabva abvuta girazi raRodney ndokutanga kunwa
achinwisawo baba vake. Cindy akaita nguva akatarisa izvi,
akasunga huma akatarisa Sharon.
Pave paya mukadzi akazoti; “You were saying ……….?
What’s your advice?”

Page | 95
“Try to fit in their system, be one of them. Let’s try to save
this marriage Cindy. But I cannot convince anyone to like you
if you behave otherwise.” Rodney akadaro.
Cindy akatarisa Rodney nemufaro werudo rwakange
rwave kukura pakati pavo. “Asi vanozvibvuma here kuti
nekurwara kwangu titogara till old age?” Cindy akadaro
asisina mufaro. “Unoti handizive all the derogatory names
avanondidaidza behind my back?”
Rodney akadzungudza ndokuti; “Kuti marriage yedu
ichagara kusvika riini, solely depends on us. Just the two of
us. Your condition is very easy to understand and accept my
dear. It’s under control now and I am not complaining. And
zvaunofanira kuziva kuti my family vanogonawo
kukutambira zvauri. Problem yavo newe started on the
wedding preparations. Let’s agree kuti your family
disrespected us. So pakazobuda this issue vakawana
pekunyatsotaura vasinganyare. Something like ko
taivhairirwa nemunhu ane this condition? Imagine dai
takange takaita zvese pamwe chete. Vanhu vese would be
sympathizing, no one aikuwanzira the way they do now. You
caused their bitterness. It’s your duty to reverse that.” Rodney
akadaro.
Cindy akangogutsurira ndokunyarara. Pave paya Cindy
akazoti kuna Rodney; “Ko namai vaSharon muchadii?
Vanodawo mwana wavo, and ndini ndave kugara naye zvino.
If you and me decide to work on our marriage, vanofanira
kuzviziva. And I must know what’s going on.”

Page | 96
Rodney akamboseka ndokuti; “Women you are allergic to
love handiti? Mazuva ese we were in peace, Sharon coming
and going in peace. Now ndangotaura kuti we are working on
our marriage, Sharon yatove problem? Remember jealousy
and stressing over nothing is still a trigger. Uchenjere kuita
relapse.”
Cindy akabva ati; “Ya maybe I must just leave these
emotional things, marriage included.”
Rodney haana kudavira akangochinja maChannel eTv
ndokuramba akanyarara.*******
KuGaraji kwaTaurai kwakange kwanaka chaizvo uye
akange otangawo kuita zvitsva. Akange atenga mishina
yakasiyana siyana yaimubatsira pabasa rake. Akange ogara
akafara nekuti akange ave nezvirongwa zvakasiyana siyana
zvezuva nezuva.
Kumba kwavo zvakange zvave nane nekuti Mucha akange
oonawo zvitsva zvaiedzwa nababa veimba yake. Uye amai
vake mai Togara vaigara vachitsiura nekugadzirisa wavo
mwana kuti imba yake imire.
Nemumwe musi zuva rave kudoka, Taurai aibva kugaraji
kwake ana Mucha nemwana wavo. Vakapfuura nepamba
pamai Togara avo vaive mubindu ravo remiriwo.
“Manzwa here zvandanzwa baba vaMomo?” Mbuya
vaMonica vakadaro vachitarisa muzukuru wavo aive
kumusana kwamai vake.
“Hanzii kanzuru iri kuputsa zvese zvakavakwa zvisina
kupfuura nekuKanzuru kwacho. Muendese mapepa eGaraji
renyu ese kuKanzuru mangwana makuseni seni. KuGlen

Page | 97
View 7 vatoswera vachiputsa nhasi. Vese veFurniture vange
vakavaka zvisina kubvumwa neKanzuru vapazirwa ende
havana tsitsi.” Mai Togara vakatsanangura.
Taurai akakurumidza kuti; “Inini pandavaka garaji rangu
ndakapegerwa nema War Vets. Mudhara Ginger chaivo
ndovakandipa pandiri apo.”
Mucha akatarisa baba vemwana wake ndokuti;
“Zvataurwa naamai wazvinzwa here? Zvekuti ndimudhara
Ginger kana kuti mudhara Garwe hazvina maturo, veCouncil
vanoda all documents kuratidza kuti ndepako. Hauna kupiwa
maTittle deeds here? Unongoendesaka nhai.”
Taurai akatsenga tsenga mukanwa ndokuti; “Ehezve
ndizvozvo wani zvandiri kutaura. Amai, tete mai Kuda vari
kuuya kuzotora Momo paweekend. Anodzoka neMonday.”
Amai Togara vakatarisa Mucha ndokuti; “Zvakanakai
mwanangu baba aMomo.”
“Ko vadii kungondiudza ivo tete?” Mucha akadaro.
Taurai akabva ati; “Ndini ndakavakumbira kuti
vazomutora. Ko mwana anorambidzwa kuenda kuhama
dzake here?”
Mai Togara vakangoti nechemumwoyo mavo makwikwi
apo vakange votarisa mhuri iyi voenda kumba kwavo.
Pazuva rakatevera, sekutaura kwakange kwaita mai
Togara, veKanzuruu vakauya ndokuparadza vachipaza zvese
zvakange zvakavakwa zvisina mapepa aitsigira mvumo
yeKanzuru.
Pazvivakwa zvakaparadzwa neKanzuru paMakomva,
garaji raTaurai raive nemwedzi miviri ravakwa

Page | 98
rakaparadzwawo. Vaive padhuze vakapinda mukati vachiba
mishini yake nemamwe maturusi zvese zvaive zvitsva.
Taurai akaedza kufonera mudhara Ginger achida
kubatsirwa asi vakuru ava vaiita sevasiri kunzwa zvaitaurwa
panhare. Vairamba vachingoti hello hello kusvika nhare
yanyarara. Taurai paakazodzoka apa akawana rangove
guruva chete ndokunhongera zvakange zvasara nemisodzi
padama. Pakave nekuchema nekugeda geda kwemeno
vakawanda vaparadzirwa midziyo yavo yaivararamisa.
Taurai akaita vhiki rese akavata mumba achirwadziwa
nekuparadzwa kwakange kwaitwa pabasa pake. Vese
nemudzimai wake Mucha vakange vachiita sevafirwa
nevabereki. Bhizimisi rakange richitanga rakange
raparadzwa, mari yepenjeni yese yakabva yaparara. Mhuri
yese yakachema nekurasikirwa uku.
Amai vavo mai Togara natete vavo hanzvadzi yaTaurai,
vakashanda chaizvo kunyaradza vaviri ava. Nekufamba
kwenguva vakange votarisa ramangwana ravo.
Taurai akatanga kugadzirira motikari pamba pavaigara.
Padzakange dzoshandwa dzakawanda, varidzi veimba
vakabva vati mhuri iyi ichibva pamba apa. Vakati
zvaivadaidzira mbavha uye yakange yave tsvina pamba pavo.
Taurai nemhuri yake vakabva vangotuta ndokuenda mumba
mamai Togara vogara vese ipapo.
Vakatanga vachiti tiri kugara zvemwedzi miviri chete
tichitsvaga peduwo. Mwedzi miviri yakaberekana kusvika
yave mitanhatu, hafu yegore.

Page | 99
Nerimwe zuva hanzvadzi yaTaurai, mai Kuda
vakashanyira hanzvadzi yavo kwamai Togara. Vakagara
mazuva matatu ese pamusha apa pasina kutaura zvavakange
vafambira uye pasina kuoneka. Masikati aya pavakasara vega
namai Monica, vatete ava vakabva vati; “Mai Momo,
ndakadaidzwa pano nehanzvadzi yangu. Haana mufaro
nemagariro amuri kuita.”
Mucha akaramba akatarisa tete vake ava ndokuterera
zvavaitaura; “Baba vaMonica vari kuti respect chaiyo
amaiguru hamuna. Ndakazvionawo pandakauya pano.
Hanzvadzi yangu ave kunge mukomana webasa wepano.
Tsiurikai amaiguru imi.” Vatete vakadaro. Mucha akaramba
akanyarara. Vatete vakaenderera kumberi nekutaura
vachitsiura muroora wavo nekuvakiridza imba yehanzvadzi
yavo. Mucha haana zvaakataura, akaterera akanyarara.
Pazuva rakatevera, vakafuma vachienda.
Taurai ndiye akaperekedza mwana wamai vake
vachitaurirana ndokubva adzoka kumba. Akawana amai
vemwana wake vakamugaririra.
“Ko tete ndaifunga kuti kungoshanya, izvo vane zvavange
vafambira? Ko wakadii kungondiudza zvausiri kufara nazvo
pano?” Mucha akadaro akadzikama chaizvo.
Taurai akambotsenga tsenga mukanwa ndokuzoti;
“Hautaure neni mai Momo, unoita sendisipo. Kana bonde
chairo takapedzisira riini pano?”
Mucha akangotarisa murume uyu ndokunyarara. Manheru
vapedza kudya, Mucha akabva ati kuna amai vake; “Amai
hanzi nababa vaMonica tave kubva pano. Kana tete

Page | 100
vamakaona kushanya ndozvavakange vavinga kuti tizotaura
nezvazvo.”
Amai Togara vakashamisika ndokuti; “Hezvoo muchiri
kutsvaga imba nanhasi? Takange tatojaira kugara tese
semhuri.”
Taurai akange audyura meso nekushamisikawo akabva
atangirwa zvakare kutaura naMucha; “Vese tete nababa
vaMomo vakazoona kuti tange tave kuvarairwa. Rangarirai
kuti imba ino yakavakwa nababa vaSharo. Kuti baba
vaMonica varemekedzwe sezvavanokodzera kunge
vatotsvaga pavo. Ndozvavakataurirana natete.”
“Aaaa hoo nhai. Kana madaro zvakanaka.” Mai Togara
vakazodaro.
Vave kurara, Taurai akange akapererwa. Akange asina
kuronga zvese izvi. Aiziva kuti akange asingakwanisi
kundogara pake ega nemhuri.
“Ko uri kundidzingirei pano?” Taurai akazodaro
kumudzimai wake.
Muchayemura akabva ati; “Dzimwe nyaya hadzifi
dzakapera nekutaurirana asi nekuita baba vaMonica. Imi
chingotsvagai penyu pamba pamunoisa mitemo. Pano mai
vangu vanoti gedhe rinokiiwa na6, imi munoda kupinda
na10, kwese ikoko kutadzirwa. Pano Tv tionoona Zee World
neAfrican Movies, imi munoda bhora. Matotadzirwa
zvakare.” Mucha akadaro asinawo mufaro.
Mai Monica vakaenderera; “Zvakadai hazvipere nekureva
kune veukama. Kana ndikapopota pano munoti nekuti ndiri
mumba maamai vangu. Saka handei kwenyu mundione

Page | 101
ndichingopopota. Asi kwenyu ndikapopota
mugondidzingazve. Vakai dzimba dziri kuvakwa nevamwe
varume zviri pamutemo tozouyawo totevera mitemo yenyu.”
Taurai akabva anyarara zvachose. Tsinga dzakati tare tare
nemuviri wese achirwadziwa nekudzikisirwa
achiyeuchidzwa zvaaiedzawo muupenyu hwake zvichiramba.
Akaita vhiki yese asingataure nemunhu, aibuda zuva risati
rabuda, odzoka ogara mumba mekurara nemwana wake.
Pakupera kwemwedzi, Taurai akabva agara pasi namai
Togara nemudzimai wake Mucha ndokuti; “Ndichamboenda
kuJohannesburg kuri kuenda vamwe kundotsvaga basa.
Amai ndosiya mhuri yangu pano. Iwe mai Monica kana
Monica akakuremera, tete mai Kuda vati vanochengeta.
Toonana Mwari achida.”
“Hezvo nhai baba vaMonica, ko zvomooneka
sematadzirwa, kana semusingazodzoke pano.” Amai Togara
vakadaro vachishamisika chaizvo. Taurai akangosimuka
chinyararire ndokuenda ondorara.
Amai vakatarisa Mucha uyo akabva afinyama achiti;
“Regai zviende.”

Page | 102
CHITSAUKO 10

Makore akafamba, Taurai akange achibata bata mabasa


akasiyana siyana ari kuJoni kwaakange aenda nababamudiki
vake. Aidzoka kumusha mwedzi mina yega yega, naizvozvo
aidzoka katatu pagore. Pagore rekutanga Mucha
akamanikidzwa namai vake kuti aende kumurume,
akandogara svondo imwe chete akadzoka vave kutotukana.
Pano neapo Taurai aitumira mari kumudzimai nemwana
wake. Asi nguva zhinji chaizokonzera kuti vanetsane kwaive
kugarodemba kwake kuti haana mari. Padiki nepadiki
vakange vave kuparadzana mupfungwa nemumoyo.
Kana pagore rechitanhatu raakauya kumusha kuzororo
raKisimusi, haana kurara pamba pamai Togara. Akasvika
ndokutora mwana wake ndokuenda kumba kwehanzvadzi
yake. Muchayemura akazotevera kuhama dzemurume.
Kunyange vasina kubudira hama dzavo pachena, ivo vari
vaviri vakaona kuti rudo pakange pasisina.
Muchayemura akange ave mai Madzivanyika vezita,
mwedzi wese waive Taurai nemudzimai wake, vakaita bonde
kanoverengeka, uye raive remutsurududu mudzimai achiita
zvekubhinywa. Imba yavo yaiti mudzimai anogara kumba
kwamai vake, murume achishava kunze kwenyika.
Sharon akange ave muGrade 4 paEagle House Private
School muguta reHarare. Pachikoro apa paive nevana
nevazukuru vevanhu vemari dzavo nevemabhizimisi makuru
Page | 103
muguta. Uye paive nemarudzi evana akasiyana siyana,
marudzi ese emuZimbabwe, varungu, maIndia, nevamwe
vaive vagari vemuZimbabwe vaibva kune dzimwe nyika.
Hupenyu hwake aingogara kumba kwambuya nekwababa,
uye nenguva dziri kure aienda kwaamai vake. Apa akange
ave muGrade 4, aive mwana aigona muchikoro asi akange
akanyarara chaizvo. Pachikoro apa paive naSocial worker
aishanda nenyaya dzevana dzakasiyana siyana, uye ndiye
aidzidzisa nezveupenyu, chidzidzo chinonzi Life Skills.
Musi weChitatu masikati, Miss Sophia Takawira
vaidzidzisa Life Skills vaiverenga mabhuku avakange
vavanyoresa pamusoro pemhuri dzavo. Vakaramba vakabata
bhuku raSharon vachidzokorora kuverenga. Miss Takawira
vakaenda muchikoro maive naSharon ndokumudaidza
voenda naye kuhofisi kwavo.
Vakasvika mwana ndokugara akatarisa mudzidzisi wake.
“Tell me about your family Sharon.” Muzvare Takawira
vakabvunza.
“It’s me and my daddy.” Sharon akadaro.
“Ko amai vari kupi?” mudzidzisi vakabvunza zvakare.
“Vakadzingwa nambuya, she did not want them to get
married.” Sharon akadaro mudzidzisi ndokumbopererwa.
“Ndiani anokutaurira zvese izvozvo?” Muzvare Takawira
vakabvunza zvakare.
Sharon akabva ati; “Ndiamainini Mary. And it’s true, dai
ambuya vasina kudzinga mummy, tingadai tichigara tese
nadaddy dai ndisingasare pano ndega everyday. I am always
the last one to leave the school premises everyday, because

Page | 104
everyone in my family is too busy to pick me up. I know my
mum wouldn’t be too busy to do that, and my dad would
make sure of that.”
Apo mudzidzisi akaramba akanyarara, Sharon akabva ati;
“I don’t want to visit my mum, I want to live with her. And I
want to live with my sister Monica, too.”
Muzvare Takawira vakavhura book raSharon ndokuti;
“Wakanyora something about your grandmother. Do you lik e
her?”
“Just a little……. She is always shouting. But my mum’s
mother is cool.” Sharon akadaro ndokunyemwerera achifunga
mbuya vake mai Togara.
“Ok Sharon, I want to help you spend more time with your
mother and your sister. Ndanyorera baba vako tsamba iyi.
Undovapa. Usavhure, undopa baba vako chete.” Muzvare
Takawira vakadaro.
Muzvare Takawira vakabatsira Sharon kuisa tsamba yake
mubag rake ndokumurega odzokera kwaive nevamwe
vaaidzidza navo.
Apo nguva dzekudya dzakange dzakwana, vabereki
vaiuya kuzotora vana vaiuya nemotikari dzavo pagedhe
vakange vachiuyawo. Sharon akaramba akangogara padyo
nepagedhe paive nevamwe vana. Vana vazhinji vakapera
kutorwa nevabereki vavo, vamwe vachienda vega sekuuya
kwavainge vaita. Kusvika apo akasara ega.
Muzvare Takawira vakabva vamuona vari muhofisi mavo
ndokumudaidza. Vakagara naye vachiterera nyaya dzaaitaura
kusvika paakazoona motikari yambuya vake yave pagedhe

Page | 105
rechikoro. Vakaenda vese kugedhe asi vakawana mumota
mune mutyairi wamai Roddie. Vakangokwazisana ndokurega
mwana oenda kumba kwavo.
Pamusi weMuvhuro wevhiki yakatevera, Rodney
akazokwanisa kuenda kuchikoro kwaSharon masikati.
Panguva yaitorwa vana kubva pachikoro Rodney ndipo
paakaenda kuhofisi kwaMuzvare Takawira. Mushure
mekukwazisana Muzvare Takawira vakati Sharon
ambondogara panze vataure nababa vake vari vaviri;
“Ndakudaidzai nekuti pese patinotaura about families
mwana wenyu anoratidza certain behaviours and attitude
yekuti pane zvaari kuda kuti zviitike mufamily make.”
Rodney akaterera ndokuti; “Things like?”
Muzvare Takawira vakabudisa zvainyorwa nevana
ndokusarudza mapepa akange adhirowewa naSharon.
Mufananidzo waive nababa nemwana, pakati paine rwizi
rwaiyerera. Kune rimwe divi uye amai nemwana kune rimwe.
Vana vese vaive nemisodzi yaiyerera pamatama avo
vakatarisana.
“Munganzwisisawo kuti airevei?” Mudzidzisi
vakabvunza.
Rodney akatarisa mufananidzo uyu kwenguva ndokuzoti;
“Maybe apa inini naiye then, the other side amai vake
nemwana wavo. But c’me on madam…. Hamusi kunyanya
kuterera mwana muchiisa meaning on trivia matters
zvaasingazive here? Mwana waamai vake uyu is not my
daughter. Hapana zvandinokwanisa kuita kuti vave vese
kana baba vemwana iyeye vasingade nemwana wavo.”

Page | 106
Mudzidzisikadzi vakabva vati; “Yes you are right, ko
mukambotaura naamai vake? Vana vese vamboita nguva vari
kuna mai vavo nguva imwe chete. Ukama hwevatatu ava
imimi sababa hamukwanise kuhuparadza. Amai vanoda vana
vavo, and vana ava as sisters vanodanana. Give them a
chance.”
“Maybe, maybe not. What else?” Rodney akadaro.
Mudzidzisi vakabudisa bhuku rakange ranyorwa
naSharon ndokupa baba vake. Vakabva vati; “Musi waanyora
izvo ndakavadzidzisa kuipa kwekunyepa. Takange
taverengawo nyaya yaAnnanias and Sapphira from the Bible.
Honai mwana wenyu zvaakanyora.”
Rodney akatarisa paakange aratidzwa ndokuverenga
achidaidzira; “If daddy says auntie Cindy can love me like her own
daughter, why didn’t grandma love my mummy like her own child
too and let here stay with daddy? Who is lying? Is my dad a liar? Is
grandma a liar? But I know mummy said she will always love
daddy. My mother will never lie.”
Rodney akadikitira, akasimuka ndokuti; “Ok,
ndichandotaura naamai vake. If necessary tichauya tese
naamai vake then mungazotibatsirawo. Maita basa.”
Rodney akabuda ndokuenda kumotikari uko kwakange
kwakagara Sharon. Akatyaira motikari vachibva pachikoro
apa vopinda mudhorobha. Akandomisa paNandos
ndokubuda vondogara vari vaviri.
“Daddy, asi makanditsamwira? Miss Takawira vakuudzai
kuti chii mukanditsamwira?” Sharon akadaro achigara padivi
pababa vake.

Page | 107
“No no my princess. I will never be angry with you. But
zvese zvawakaudza Miss Takawira dai wakandiudzawoka
sweetheart. You know daddy loves you.” Rodney akadaro
akatarisa huma yemwana wake yange yakafanana neyamai
vake. Apa kaona kuti akange achiri kuda amai vemwana
wake.
“Daddy, I have a request. Promise me you say yes.” Sharon
akadaro achibata ruoko rwababa vake.
“Anything for you my princess.” Rodney akadaro.
“Kana ndave kuenda kwamamma kuGlen View, can you
buy me more fruits and yoghurts to leave some for Monica.
Daddy vake doesn’t buy as you do. And haana hembe
dzakawanda, daddy vake is poor.” Sharon akadaro
ndokumbotarisa kumeso kwababa achida kuona kuti
vaifungei nezvaaitaura.
“Ndiani akakuudza izvozvo?” Rodney akadaro achishaya
kuti odzimura nyaya iyi sei.
Sharon akaenderera; “Mainini Mary vakati ndisiye some of
my clothes for Monica but …….. but daddy, Monica is fatter
than me, she won’t fit in my clothes. Will you please buy some
for her?”
“Ndichabvunza amai vako kuti vamutengerewo.” Rodney
akadaro.
“Mummy is saving money to go to college so she can’t
afford………..” Sharon akadaro zvakare.
Rodney akadimbudzira mwana wake; “It’s not that sim ple
my dear. Daddy vaMonica may not like it. It’s adult staff you
don’t understand.”

Page | 108
Sharon akabva ati; “But Monica mwana wamai vangu,
what more is there to understand?”
Rodney akapa mwana machips ese kuti adye iye
ndokungonwa kokora achifunga zvakadzama. Akatura befu
ndokuti; “I promise you, tichataura namamma then we can
see kuti muwane zvakafanana.”
“But daddy musaudze auntie Cindy.” Sharon akadaro.
“Why?” Rodney akada kuziva.
“When she is tired or angry she says she hates kids.”
Sharon akadaro, Rodney akavhunduka zvakaonekwa
nemwana wake. Vese vakanyarara.
“On Saturday I am playing tennis, can we come with
mummy and Monica, just the four of us please daddy.”
Sharon akazodaro.
“I will make a plan.” Rodney akadaro ndokusimuka.
Akabata mwana ruoko achimubatsira kuti asimukewo
ndokubva vaenda kuAvondale kwambuya vaSharo.
Musi weMugovera sekuvimbisa kwakange kwaita Rodney
mwana wake, vakenda kumitambo yevana vari vana, baba
vaSharo, mai Sharo naSharo wacho uye muni’n’ina wake
Monica.
Kubvira kuparadzana kwavakange vaita, Rodney
naMuchayemura, musi uyu wakave wekutanga kuti
vasangane vachiita nguva vari vese. Mamwe mazuva ese
kwaive kutambidzana mwana nekuparadzana. Asi
nekufamba kwakange kwaita makore vese vakange
varegererana. Vakange vaedza zvimwe mumwe nemumwe
ari kwaaive vakasangana nezvavakasangana nazvo.

Page | 109
“Uri sei kumba kwenyu mai Madzivanyika?” Rodney
akadaro kuna Mucha. Vese vairemerwa nekunyatsotaura
nyaya vese. Apa Sharon akange apedza mutambo wavakange
vafambira. Pakange pasisina chekunyanyoita kunze
kwekuona vamwe vana nekutaura nyaya dzavo.
“Kumba kwangu kwakanaka.” Mucha akadaro akatarisa
vana vake Sharon naMonica vaitamba vese. Sharon ndiye
aingotaura, Monica akanyarara.
“I heard uri kuda kuenda kuCollege?” Rodney akadaro,
Mucha akashamisika zvakanyanya. Rodney akaseka
achitarisa Sharon.
“Sharon ndiye ari kufambisa makuhwa kwatiri tese nhai?”
Mucha akazodaro achiseka.
Rodney akangonyemwerera ndokuti; “Our Sharo…….
Ndiye atiunza pano, ave kutoita semunhu mukuru. She is a
lovely girl……. Full of love………..” Rodney akadaro vese
ndokutarisa Sharon.
Rodney akanyemwerera zvakare ndokuti; “She was
conceived in love. Patakaita Sharo we were in love.” Vese
vakatarisana ndokuramba vakanyarara. Rodney ndokuzoti
zvakare; “Munoda kutanga rini College? Ndaifunga kuti
muchaendawo kuSA.”
“Ndiri kutanga muna January. And just for the record,
hatisi tese nababa vaMonica. Takatobvumirana kuti
paanodzoka tinoudza hama dzedu. Marriage yacho
yakaramba.” Mucha akadaro.
Rodney akambofunga ndokuzoti; “Oh ok. That’s sad. Ko
chii chakaitika?”

Page | 110
“Takave tese naTaurai nekuti ndairwadziwa nekuve
kwako naCindy. Tikaroorana nekuti ndakaita nhumbu. He
loved me, amainini vaimufarira and inini ……… hameno. Ko
zvichine basa rei. I have Monica to show for it.”
Rodney akabva ati; “I am sorry Mucha. Dai upenyu
hwaiitwa reverse ndaichinja zvese zvakaitika. I salute you,
wakagona kubuda in a fake marriage. You were my strength
Mucha, Inini I am a coward…………”
“Izvozvo zvakatopfuura. Siyana nazvo, masports apera,
handei. Handiti muri kundosiya tese kuGlen View?” Mucha
akabvunza.
Rodney akabva ati; “Yes and from zvatakataura naSocial
Worker ichokwadi. I know I was hard on you, asi Sharon
anoda kugara newe amai vake. And now that I know kuti
Taurai haasisiko it’s fine. Ndakataura namamma kuti driver
wavo uya anogara kuGlen View anozomutora every day
nekumudzora. Then weekend odzoka to me.”
Mucha akafara akada kumbundikira Rodney nehurongwa
uhu. Akaseka kwekufara ndokuti; “Roddie haumbochinji iwe,
you are a good man. Life has been so unfair to us.” Rodney
akabwaira bwaira ndokuramba akanyarara akabata Mucha
maoko.
Vakazocheuka vese Sharon achisvika pavari akabatana
maoko naMuzvare Takawira. Sharon akange akafarisa
achiratidza mudzidzisi wake vabereki vake vari pamwe chete.
Vese vakambotaura pamusoro paSharon, Rodney ndokutenda
muzvare zvakare avo vakabva vaenda.

Page | 111
Vakabva apa ndokumbotenderera kunzvimbo dzemafaro
kwainwiwa nekugochwa, kwese kwavakaenda musi uyu
kwaive nendangariro dzaivarwadza vese. Rodney naMucha
vakatanga kuseka vachiyeuchidzana misi nenguva dzavaiuya
panzvimbo apa. Kana vana vakazopedzisira vatererawo,
Rodney achitsanangura musi wavakauya vese mai Sharon
vane nhumbu yaSharon vakadya nyama apa vakarutsa yese.
Vakazosvika kuGlenview 7 dzemanheru dzachaya. Vana
vakasvika vachimhanyira mumba voona ambuya naamainini
vavo.
Rodney akabuda mumotikari ndokubva vamira
vakazembera mota. “Thank you mai Sharon. Handina
kumbofunga kuti tingazofarazve tese sezvataita nhasi.”
“Chokwadi, maita basa, ndave kupinda mumba.” Mucha
akadaro ave kufamba. Rodney akamudhonza
ndokumugumbatira, vakamboita nguva hana dzavo
dzichiroverana Rodney ndokuti; “You are the love of my life
mai Sharon……….” Rodney akatsvoda Mucha padama,
ndokubva vaparadzana pasina akacheuka.
Muchayemura akapinda mumba vanhu vese
ndokunyarara vachida kunzwa nyaya asi haana zvaakataura.
Mushure mekusweresa amai vake, akabva angonanga mumba
make mekurara. Monica akange agara pamakumbo ambuya
vake, Sharon ari padivi pamainini Mary. Sekuru John vakange
vari kuGweru kwavaive mugore retatu kuMidlands State
University.

Page | 112
Pasina nguva Sharon akabva atevera amai vake mumba
mavo mekurara. Mai Togara vakabata Monica ndokuti;
“Chienda undorara kuna amai vako, muzukuru wangu.”
Monica akakwidza mapipito achiramba akanamirira pana
ambuya vake. Mary akaseka ndokuti; “Mange muchiiteiko
nhai Momo kwamaswera?”
“Nhai ambuya, baba vangu vanouya riini?” Monica
akabvunza.
Mai Togara naMary vakatarisana. Mbuya vemuzukuru
ndokuti; “Zvaita sei?”
“Udzai mhamha tiendewo kuna baba vangu.” Monica
akadaro zvakare.
Akaenderera; “Sharon nababa vake vanobhowa,
vanongotaura chirungu. Sharon anovhaira nezvinhu zvake
zvakawandisa. Baba vake vanofunga kuti baba vangu
havachadzoka, vakandisiya. Baba vaSharon vachatora
mhamha futi here?”
“Handidi kukunzwa futi uchitaura zvakadaro.
Wazvinzwepi nyaya dzevakuru dzakadaro.” Mai Togara
vakatsiura mwana. Monica haana kupindura.
Mary ndiye akazoti; “Ndakambokuudzai amai. KaSharon
kanovhaidzwa nababa vacho. Vanosembura maitiro avo……
heeee love, heee sweetheart, hugs and kisses pese pese. Kana
mwana mudiki uyu Monica asemburwawo nazvo.”
Mai Togara vakabva vati kuna Monica; “Chienda undorara
mubedroom mangu.”
“Ndorara pamubhedha penyu?” Monica akadaro akatarisa
ambuya vake kumeso ave kunyemwerera.

Page | 113
“Ehe enda zvako tirare tese.” Mai Togara vakadaro.
“Nhai ambuya, saka kana baba vaSharon vakaramba
vachiuya pano……. Vachazotora vese Sharon namhamha
voenda navo zvachose?” Monica akabvunza zvakare.
“Ndati chienda undorara, ndichakuudza zvese
mangwana.” Mbuya vakadaro zvakare.
Asati asimuka Sharon akapinda ndokubata Monica ruoko
achiti; “Come to bed Momo, I wanna read you a nice bed tim e
story. It’s about a lovely princess whose father the king
bought an entire kingdom for her ……….”
Sharon akabata Monica ndokutizve; “I want to show you
how daddy reads it. He is very good, my daddy is the best
daddy……..” Sharon akadaro achiseka chaizvo achifunga
kutamba kwaiita baba vake vachimuverengera nyaya iye
akarara. Monica akavhizura ruoko rwake ndokuenda mumba
mairara mbuya vake ondorara.
Sharon akarwadziwa ruoko rwaange arohwa, uye
akarwadziwa moyo nekusafara kwemunin’ina wake.
Akafamba zvinyoro nyoro oenda mumba maive makarara
amai vake. Akadzima mwenje ndokupinda mumagumbeze.
Akatarisa amai vake murimamo ndokuti; “mummy…….?”
Sharon akadaro achizunungutsa amai vake.
“ummmm” Mucha akadavirira kuhope.
“Monica mwana wenyu right?” Sharon akabvunza
zvakare.
“Mmmmm……….” Amai vakapindura zvakare,
vachipinduka kuhope.

Page | 114
“Meaning mwana wamai vangu, my own sister?” Sharon
akadaro zvakare.
Mucha haana kuzopindura, akange ave kurota. Sharon
akaona kuti amai vake vakange vakarara ndokunyarara. Asi
aida kuzovabvunza kuti Monica aive mwana wamai vake
zvedi here. kana kuti aive mwana wababa ivavo vakaenda
vakamukanganwa. Asi nyangwe zvakadaro aive mwana
wamai vake.

Page | 115
CHITSAUKO 11

Pavhiki yakatevera, Sharon aiuya kuzotorwa kubva


kuGlen View, oendeswa kuchikoro mudhorobha. Uye
aidzoswa zvakare masikati pamba pambuya vake mai Togara.
Monica aidzidza pachikoro chaive padyo nepamba saka
aingobuda ofamba achienda.
Nedzimwe nguva vaibuda vese, Monica ondopfuurira
achienda kuchikoro, achisiya Sharon pagedhe akamirira
motikari yekwaDenhere yaizomutora. Motikari iyi
yaizopfuura ichisiya Monica achifamba netsoka nevamwe.
Shamwari dzake nevamwe vana vechikoro, vaiziva kuti
vana vamai vamwe chete, uye vanobuda mumba imwe chete.
Vaivaona masikati vari vese naSharon, vaizobvunza Monica
kuti sei iye nemwana wamai vake vaiita zvinhu zvakasiyana
kudai. Monica aisave nemhinduro.
Kuchikoro kwanaMonica vana vese vaigerwa misoro, asi
kwana Sharon vaibvumirwa kurukwa. Sharon akange
akarukwa zvakanaka, nepony braid rainzi raidhura chaizvo
mazuva iwayo, rairukwa kana mamwe maticha ekuchikoro
kwaana Monica.
Mwedzi yakafamba vana ava vachigara zvakadai. Sharon
aifara kuve kuna amai vake nemunin’ina wake.
Paaiperekedzwa nababa vake kuenda kuGlen View neSvondo
manheru, aivakumbira kutenga chikafu chese chaaida,
achindopawo mwana wamai vake. aitengerwa zvese
zvakafanana. Uye Sharon akaona kuti baba vake vakange
Page | 116
vofarira zvekuenda naye kwaMakomva, ndivo vakange
vomuperekedza nguva dzese. Akaonazve kuti nedzimwe
nguva pakati pevhiki vaishanya kwambuya Togara. Vaibva
vazobuda naamai vake kwenguva yakareba, amai vake
vozodzoka vamwe vatorara.
Sharon ainakidzwa nekudzidzisa Monica zvese zvaaiziva
semukoma wake, aifara kuve mukoma mukuru kumunin’ina
wake.
Kana kuchikoro akange okurumidzawo kubva pachikoro
nguva dzaibva vamwe. Mutyairi wambuya vake akange
okurumidza kuzomutora achimuti amai vako vanonetsa
vanonyanya kufona kana ndisati ndazokutora.
Nemamwe mazuva amai vake vaiuya netsoka pachikoro
kuzomutora. Aifara kufamba namai vake vakabatana maoko
pachikoro, vagofamba vese mudhorobha vachienda
kumaCombi eGlen View. Zvaakange akumbira kuna Miss
Takawira zvakange zvabudirira, akafara nazvo.
Nekuda kwekuti Muchayemura akange ogara ari
pachikoro pana Sharon, akatanga kuonana zvakanyanya
naMiss Takawira. Vakatanga kuitana mukoma nemunin’ina
vachiita nyaya pese paaiuya kuzotora mwana wake.
Muchayemura akapedzisira ataura nyaya yechokwadi
yeupenyu hwake. Miss Takawira akashandisa ruzivo rwake
rwe Social Work uye aive mwana aibva kumba kwainamatwa
nekukudza zita raJehovah Mwari. Vakabatsirana pane
zvupenyu zvakawanda. Sharon aifara kuona vakadzi vaviri
ava vaaida vachiwirirana.

Page | 117
Monica akange asisina mufaro kumba kwavo. Kuuya
kwaSharon kwakange kwamutorera amai vake. Sharon aive
nezvakawanda zvekuita nezvekutaura achitererwa namai
vake kupinda iye. Monica, uyo aive grade 3 aipedza chikoro
masikati otofamba odzoka kumba, zvekuti paichaya 1 o’clock
dzemasikati ainge ave pamba. Mabasa ese epamba ndiye
aitumwa. Kudiridza garden, kusuka ndiro kutsvaira mumba
zvaive zvake.
Sharon aizosvika 3 o’clock dzemasikati dzatochaya.
Aingosvika achitutunura dutu remabhuku ekuchikoro kwak e
achiita homework dzake dzechirungu dzisingaperi.
Nedzimwe nguva aingosvika oenda paMakomva kuna
dhedhi vake achingoti aindoitazve homework navo. Sharon
aimudaidza kuti vaende kwese vese, asi Monica aisafarira
zvaitaurwa navanhu vavaisangana navo. Uye baba vaSharon
vaisatombomuona, kana kumukwazisa vaisamukwazisa.
Kazhinji vanhu vaitaura kuti; “Monica ndiye Sharo here uyu?
Yowee ko zvaanoita semudiki kwauri? Ane muviri mudiki iwe
watove kuita semuhombe kwaari. Ende dhirezi raSharon ra kanaka.
Bhutsu dzaSharon dzakazonaka. Iwe Monica seiko kuisa munzwa
pasiripasi, hauna risina kudambuka here? Ende Sharon akarukwa
zvakanaka. Asi muri kuenda kwababa vaSharo kuFamasi? Ko iwe
Monica baba vako vakambozodzoka here? Asi baba vako vakandofira
Joni? Asi baba vako vave neimwe mhuri Joni?”
Zvese izvi zvaipa Monica hasha, Sharon asati avepo
hapana aitaura nezvepata pata dzake dzaaitambisa
kumugwagwa nevamwe vana. Vanhu ivava vaidirei kuti
apfeke zvavanoda ivo zvakafanana nezvaSharon. Ko aida

Page | 118
hakeka kupfeka dzakadambuka achitamba kumugwagwa,
nekuti dzimwe dzaive dzakachena asingade kutamba nadzo.
Sei vaida kuti apfeke saSharon aingogara akapfeka seanoenda
kuchechi zuva nezuva.
Zvaiita sekuti vanhu vanoona zvakanaka zvega pana
Sharon. Paari paive nezvakaipa netsvina, kana kuti baba vak e
vasipo. Paaibva kuchikoro achibvisa uniform, amai nambuya
vake vakange vamuti anopfeka hembe imwe chete kuti
asasvibise dzakawandisa pavhiki. Asi Sharon aipfeka dzake
dzese dzaaida dzaaibva nadzo kumba kwavo kudhorobha.
Neizvi Monica akapedzisira asingachada kana kufarira
kufamba naSharon.
Paaiedza kutaurira mbuya vake namai vake zvaimunetsa,
mbuya vaiseka vomuti hazvina basa. Amai vaimutukirira
kuti achaita moyo wakaoma sehama dzababa vake
dzisingazive kuti anoda kudya nekupfeka. Aitofanira kufara
kuti Sharon mukoma wake aimupa zvakawanda.
Amainini Mary ndivo vaimuterera nekumubatsirawo
vachitukirira Sharon nekutumawo Sharon kuita mamwe
mabasa mumba. Asi amainini Mary vaigara kuCollege kwavo
kuBelvedere, vaisavepo mazuva ese kumurwira.
Pamusi weSvondo masikati, baba vaSharon vakauya
vachizosiya Sharon kwaMakomva. Sharon paakapinda
mumba, amai vavo vakabva vabuda vakageza nekupoda
kumeso kwavo zvakanakisa, uye vakapfeka zvakanaka
chaizvo. Vakangosvika vachipinda muBenz yababa vaSharon
ndokuenda.

Page | 119
Akanzwa mbuya vake vave kuti kuna mainini Mary; “Ko
iwe wange uchiti uchakumbira lift undosiiwa kuCollege
zvawarega vachienda wani.”
Mainini Mary vakaseka ndokuti; “Aaa mai Sharo vati pane
kwavari kuenda opposite nekwandiri kuda. Havana nguva
nazvo zvekundiperekedza izvi.”
Ambuya Togara vakamboramba vakanyarara ndokubva
vazoti; “ndange ndichida kuti uzoita vhiki yese inouya uri
pano. Uzosara nevana pano ndoda kuenda Joni kuna baba
vaMonica. Ndiperekedze mai Madzivanyika kumurume
wavo tisati taparirwa.”
Mainini Mary vakabva vati; “Zvimwe zvinhu zvinonetsa
kuchinja mamma. Musi uya wamakataura nasisi Mucha
naTau nezvenhumbu yaMonica uyu, Taurai achifara
achironga kuroora. Sisi vakataura kuti Taurai havamude and
havafi vakamuda. Wavo murume ndiRodney.”
“Haaa, mahumbwe chaiwo. Apa achizove hure raRodney
chairo.” Mai Togara vakadaro ndokubva vatarisana naMonica
ndokumuti; “Iwe uchiri kuitei muno. Enda kuna Sharon uko.”
Monica akatarisa mainini Mary ndokuti; “Ndoda kuudza
baba vangu kuti kuchikoro kunodiwa mari yeTrip.
Ndokumbirawo phone yenyu ndiende paWhatsApp.”
Mary akatambidza mwana cellphone yake, Monica
ndokuenda mumba yairara mbuya vake. Mai Togara vakab va
vati; “Wakariona here bepa raitaura nezveTrip yekwana
Monica? Ndiri kutogadzirira mari yake, baba vacho nyangwe
kuudzwa havaite chinhu.”

Page | 120
Mary akaseka ndokuti; “Iye anozonyanyawo Taurai,
ndangopa mwana phone kuti awane abude muno.”
Nemusi weChina manheru, amai Togara naMucha
vakabva vakwira mabhazi aienda kuJohannesburg.
Vakandosvika kuchiedza ndokungonanga kumba kwaigara
Taurai. Babamudiki vaTaurai vakange vamudaidza Joni
vaigara dzimba nhatu kubva pairoja Taurai. Ndopavaipfuura
napo vasati vasvika kumba kwaTaurai. Vakaona amainini
Madzivanyika vari panze vachibva vakwazisana.
Mainini vakabva vati; “Ko nhai muroora, baba vaMonica
vanoziva here kuti muri kuuya?”
Vese mai Togara naMucha vakadzungudza, mai Monica
ndokuti; “Aiwa, asi vakatama? Haapo here?”
Mainini Madzivanyika vakati; “Vambobuda vese
nababamunini vake asi vanodzoka manje manje. Chiuyai
mugare kuno mozoenda vadzoka.”
Muchayemura akatarisa mberi pamba paigara Taurai
ndokuti; “Ndiri kuona musuo wake wakashama uyo, uye
varidzi vemba vanondiziva. Takaneta mainini, tinoda
kuzorora kamwe chete.”
Mucha akatanga kufamba achienda mai Togara
ndokuzoteverawo. Mainini Madzivanyika vakasara vakamira
vakatarisa hama dzavo idzi. Mucha akangosvika achigogodza
ndokusunda musuwo. Mumba maTaurai maive nemudzim ai
aivemo akange aine nhumbu, akange akasungira zambiya
nemuchiuno akahafura zidumbu rakange romuremera,
chipfuva chese chaive panze. Vakatarisana, muridzi wemba

Page | 121
ndokufuratira otsvaga chekusimira, vaenzi ndokutsveta
mitundu yavo pasi.
“Ndimi vananiko, asi marasika?” Mudzimai uya
akazobvunza achiratidza kusemburwa nekupindirwa mumba
make zvakadai.
Mai Togara vakabva vati; “Hamusi mumba maTaurai
Madzivanyika here muno……..?”
Mhinduro isati yauya Taurai akavhura musuo achiridza
muridzo akabata tauro nesipo, akapfeka kabudura neT-shirt
chete achibva kundogeza.
Mai Togara vakatarisa mukwasha wavo ndokutsikitsira.
Taurai akatora mutirauzi wake ndokudzokera kumba
yekugezera. Vakadzi vakasara vakanyarara vese vamirira
baba, muridzi weimba. Bva haana kudzoka, mudzimai
wavakange vawana aripo ndiye akazotevera ndokundodzoka
nemurume………. Murume wavo?
Mai Togara vakabva vati; “Takaona manyarara baba
vaMonica, ndikati ndiperekedze mudzimai wenyu tizoona
kana muriko. Tingangomirira takatsamwira munhu iye
munhu achitorwara kana kuti akatofa, tisingazive.”
Taurai akaramba akanyarara. Mudzimai uya ndokuti kuna
mai Togara; “Mati imimi muri mudzimai waTaurai?
Naambhuya vake?”
Mucha akabva ati; “Ndini mai Monica. Tau haana
kukuudza here kuti ane mukadzi nemwana anonzi Monica ari
grade 3?”

Page | 122
“Ini ndinonzi Maggie, ndiri mudzimai waTau. Ndinoziva
kuti Taurai ane mwana Monica, asi mai vemwana wacho vane
mastory.” Mudzimai uya akadaro.
Taurai akakosora kosora ndokuti; “Iwe Maggie usataure
nyaya dzisinei newe.”
Maggie akaramba kunyaradzwa; “Monica anogara
achichema chema kuna baba vake ava paPhone, kuti amai
vake vanogara nababa vaSharon.” Mudzimai uya akadaro
ndokutarisa tarisa ndokutora phone yaTaurai
ndokuvatambidza. Taurai akange angoti dzvutu meso,
vakadzi vachitaurirana.
Mucha akatambira phone iya ndokuiisa padivi. Maggie
akaitora ndokuvhura kuti averenge ndokuti last week
Sunday, Monica akatumira message iyi nePhone yamainini
Mary yakanzi; “baba musakanganwe mari iya yekuTrip. Mhamha
vaenda nababa vaSharon vari vaviri vanodzoka tarara.” Mai
Togara vakatsikitsira.
Imwe iyi yakatotumirwa nePhone yenyu mai Monica;
“baba huyai muzonditora, Sharon namhamha nababa vake vanofara
vari vese, ini ndiri ndega.”
Mucha akaita hasha. Akabva ati; “Iwe Taurai ndochiiko
ichi? Saka mamessage aMonica ndiwo akakupa nhumbu
pano? Saka Taurai wange uchazondiudza riini kuti wave
nemumwe mukadzi? Iwe Maggie wakanyengwa ukamitiswa
muchidembana makuhwa aibva kumwana mudiki
haunyare?”
Pamusuwo pakagogodzwa, babamunini Madzivanyika
ndokupinda.

Page | 123
Mushure mekukwazisana chimhukutira, mai Togara
vakabva vati; “Musanyepere kuzungaira vanhu vakuru. Saka
mari yeTrip yaaikumbira ichatumirwa riini? Musade kutsvaga
nyaya dzisina maturo dzekuvhara kusachengeta mwana
wenyu.”
Mucha akange oda kuchema akatarisa Taurai uyo
ainzvengesa maziso ake kubva kwaari; “Chitauraka kuti yedu
imba hapachina nhai Taurai ndidzokere ndichiziva. Hama
dzedu dzakatambidzana pfuma vari pano ava, ndipe gupuro
racho ndiende.”
Vese babamunini namainini vevanhu vakashaya kuti
votsigira kupedzerana kwevaviri ava here zvikurumidze
kupfuura. Kana vaizoedza kuumbiridza imba iyi ipapa, ko
Maggie nenhumbu yake aizodii.
Babamunini Madzivanyika vakange vaziva nekugarisana
nemuroora Maggie. Vakaonawo mwana wavo achifara
nekuchengetana nemuroora uyu. Vakange vaendesa tsvak irai
kwaana Maggie pavakaenda kumusha apo muroora uyu
akaita pamuviri. Saka pamhuri idzi aisave mapoto, Maggie
akange aroorwa naTaurai. Kunyange pavakange vaenda
kumusha, vese veukama vakange vandotaura kuti mai
Monica hapana akange achavaona. Uye makuhwa
pamafambiro avo muHarare akange awandawo.
Mai Togara vaizivawo mafambiro emwana wavo. Havana
kuda kuumbiridza kana kudembera mukwasha kuti
agadzirise imba yake. Uyu wakave mukana wekuti vaviri ava
vachibudirana pachena. Vakange vazvigamuchira kuti wavo
Mucha aizotamba naRodney sekuda kwake, vaive vanhu

Page | 124
vakuru, vaizorega achiita zvaanoda. Kana Cindy aizovanetsa
vaizoonana musi uyoyo, nyika ndozvayakange yavapa.
Upenyu hwakange hwapinza shura nekutsveruka kwakadai
mumba mavo.
“Baba vaMonica takamirira kubva kwamuri.” Mai Togara
vakazodaro. Taurai akatarisa Maggie ndokuti; “Mai Tau, enda
umbondogara namainini timbotaura mashoko asinei newe
aya.”
Maggie akatarisa Mucha uyo asina kuita hanya naye
ndokubuda oenda kwamainini.
Taurai akambokosora kosora ndokuti; “Imi mhai
ndinokunyarai nekukuremekedzai zvikuru. Ndine urombo
nezvaitika nhasi. Ndange ndisingade kuti tisangane zvakadai.
Ndine urombo mai Togara.”
Mumba makambonyararwa. Taurai akaenderera; “Ndine
urombo zvakare pakusachengeta mwana wangu zvakafanira.
Mamessage anobva kumwana wangu are heartbreaking.
Mwana haasi kufara, uye zvaindipa hasha ndoona sekuti
ndikatumira mari amai vacho vanoshandisa kuita zvemafaro
avo. Pakakanganisika ipapo. Asi amai, kuchengeta mukadzi
mhombwe kunorwadza.”
Mucha aiwedzera hasha akaterera zvaitaurwa naTaurai.
Aive nehasha nenyadzi dzekupomerwa nekubatwa
hupombwe hwake asingafungire.
Akabva ati; “Tumiraka mari yacho kuna tete mai Kuda
vasiri mhombwe.”
Taurai haana kupindura izvi, akaramba akatarisa vabereki
ndokuti; “Mese baba, nambuya vaMomo ndaikuudzai

Page | 125
zvaiitika mumba mangu namai Monica ava. Kana
pandakabvako paKrismasi takanyadzoudzana kuti imba yedu
yaramba. Inhema here mai Momo?”
Mucha akatsikitsira ndokuramba akanyarara. Taurai
akabva ati; “Handidi kuramba ndichidzokorora zvandaitaura
kwemakore ese. Zvinozoita sendiri kuzvireverera kuti sei
Maggie ari pano. Asi imba yedu mai Momo, yakangogara
yavakirwa pajecha, mhepo dzese dzaiuya dzaiidonhedza.
Vabereki vedu ava ndivo vairamba vachibatanidza asi
iyezvino vanenge vaonawo kuti hapana zviripo.” Taurai
akatarisa babamudiki vake ndokubva vamugutsirira
vachibvumirana naye.
Taurai akasimuka ndokusimudza mutsamiro wake waive
pamubhedha. Akavhomora fifty rands ndokutambidza
babamunini vake ndokuti; “Kutsvaga munyai wedu ari
kumusha uko kunonetsa uye kungatitambisira nguva. Fifty
rands iyo baba vangu, ndipireiwo Muchayemura Togara
segupuro rangu.”
VaMadzivanyika vakatambira mari iya ndokutsikitsira
vachifunga. Taurai akaenderera; “Amai Togara, mai vangu.
Ini handina mari yakawanda asi fifty rands iyi ndinoda
kusunungura mwana wenyu. Ini ndave nemudzimai wangu
anogutsikana nezvandinomupa pano. Mwana wangu
ndichachengeta sekugona kwangu. Ndinoonazve kuti
zvatadai, mondotsanangurira Monica kuti aregere zvake
kundiudza mafambiro enyu nababa vaSharo. Pandinouya
ndichazoona kuti amai kana tete mai Kuda vanokwanisa
kumutora here.”

Page | 126
Mucha akaramba akanyarara achisvimha misodzi.
Vakazosimuka apa ndokundooneka mainini Madzivanyika.
Vakabva vangodzokera kuPark Station uko vakandokwira
mabhazi aidzokera Harare usiku uhwu.
Pavakapfuura paBoader, vapinda muZimbabwe, mai
Togara ndopavakazoti; “Ko wange uchigochemei?
Wazviparadzira imba yako. Wavezve mvana yekwaTogara.”
“Muri kuti ndange ndichichemera kuve mai Madzivanyika
here?” Mucha akadaro akatarisa mainini vake achishamisika.
“Zvino chingachemedza chii iwe wawana murume wako
achitofara nemumwe mukadzi?” Amai vakadaro.
“Ndaifanira kungomuudza paakauya kumba, honai
zvazvave, ndave kunzi ndakadzingirirwa nepfambi yaTau?
Mufunge amai ndanzwa kufara kuti Tau akatowana mukadzi
anomudawo. Anotonzwa kuti baba vauya akatarisa Tau?
Handina kana shanje naye ini. Ndosaka ndataura naye
pataoneka mainini mai Madzivanyika. Anofanira kuziva kuti
handidi and handina kumboda murume wake. Ko
ngaandifarire agozochengeta mwana wangu zvakanaka.”
Mucha akatsikitsira ndokunyarara.
Mai Togara vakabata rushaya votarisa mberi asi hapana
zvavaiona, hwaive usiku. Vakafunga kuti upenyu
hwemwanasikana wavo hwaizovei vakazvishaya. Vakatarisa
mativi emugwagwa vakaona rima rega. Vakatarisa mberi
ndokungoona padyo ipapo paigumira chadzera chemagetsi,
asi bhazi raingoenda mberi, kwaizoedza vasvika Harare.
Ndozvaizoita upenyu hwaMuchayemura, chikuru kwaive
kufema, vaizoona kuti kwaizoedza avepi.

Page | 127
CHITSAUKO 12

Pavhiki yakatevera, Muchayemura akamboita nguva


asingade kuona Rodney kana kutaura naye parunhare. Asi
nekufamba kwenguva, apo akange apedzerana kutaura
nehama dzake nedzaTaurai nezvekusiyana kwake nababa
vaMonica akabva azojaira zvaivepo.
Musi weChishanu manheru, apo Rodney akauya kuzotora
mwana wake Sharon………. nekuona mai vacho, Mucha
akataura senyaya vachiseka naRodney ndokumuratidza fifty
rands yaakange abva nayo kuJohannesburg.
Rodney akangonyemwerera ndokuramba akanyarara,
akabva ati; “Nhai Mucha, given another chance, unoti
tingakwanisa kudzokerana tikanyatsove neimba yedu
sezvatakange tichitarisira kubva patadanana here?”
“Handidi false promises. Kuda kana kusada kwangu what
difference does it make?” Mucha akadaro. Rodney akanzwa
inzwi rave kukwira achibva anyarara.
Pave paya murume akazoti; “I love you Mucha. I will try to
work out upenyu hwedu tidzokerane.”
Mucha akaramba akanyarara ndokuti; “Monica aitumira
ma message kuna baba vake achitaura nezvedu, iwewe neni.”
“Aaaah?” Rodney akashama muromo, ndokuzobvunza;
“Aiti chii exactly? ”

Page | 128
“Kungopa updates kuti nhasi tabuda tese. And amai vakati
she is worried kuti iwewe uchanditora naSharo iye obva asara
ega.” Mucha akazodaro ave kuratidza kunetseka.
“is she not just six or just turned seven years old?” Rodney
akadaro.
“Yes vakasiyana naSharo neless than two years.” Mucha
akadaro akatarisa Rodney kumeso.
“Ndiri kungoshamisika kuti mwana mudiki sei kuita
bitterness yakadaro. You have to assure her kuti we are
family.” Rodney akazodaro.
Mucha asati apindura runhare rwake rwakabva rwarira,
akatarisa ndokudavira; “Sophie, hie……… ohk, rini? Kupi
chaiko? Ok. Ndichakufonera ndikuudze kuti ndokwanisa
here.” akabva anyaradza runhare ndokuti; “Ndi Sophie, Miss
Takawira vaSharon. Ari kundidaidza kuchurch kwavo
mangwana Saturday masikati and Sunday futi.”
“Ok, hanzi kupi?” Rodney akabvunza.
“Mutown, down town kuna Chinhoyi hanzi Rivers of
Revival Church.” Muchayemura akadaro.
“Manje ndange ndichida kutoita weekend getaway newe.
Tindosika kahanzvadzi kaSharon.” Rodney akadaro achiseka
nekupinza ruoko muchipfuva chaMucha. Mucha
zvakamutsamwisa.
“Umm enda nemukadzi wako. It’s high time ndamboita
serious with my life. I am not happy.” Mucha akadaro.
“Talk to me, chii chiri kunetsa?” Rodney akadaro.

Page | 129
“I want to settle down. Kana ndiri single, ndoda kuve
single chaiko ndisingaite zvekumbochachurwa nevarume
vevamwe zvauri kundiita izvi.” Mucha akadaro.
“Ko zvabva kupi izvozvo?” Rodney akadaro achiona kuti
Mucha akange asingachaseki.
“Taurai ndakange ndisingamude yes, asi apa
patakazorambana zvachose zvekutopanana gupuro,
ndakangorwadziwa kuti he moved on nyore nyore. Now
atove in a proper marriage nemukadzi anomuda. Inini wacho
murume wandinoda cannot make a sacrifice seyakaitwa
naTau for Maggie wake. At the end I am nowhere. It’s painful
Roddie. Tichitaura hedu pasina kuhwandirana, ndatove hure
rako. And handizvide.” Mucha akadaro kumeso kopisa ave
kuda kuchema.
“That’s too harsh, usadaro please.” Rodney akadaro.
“Ndozvazviri wena. Better kuhurira mari pane kuhurira
rudo rwemurume ane mukadzi wake. And murume wacho
anongokuhwandisa wausingafe wakawana.” Mucha akadaro
zvakare.
“Ok, chitaura nyaya yako. Ndiani?” Rodney akadaro ave
kugumbuka.
“Aita sei?” Mucha akadaro achitarisa Rodney kumeso.
“Murume ari kukupfimbaka awave kuda kundisiira. All
this nonsensical talk yabva kupi? Uri mai vemwana wangu,
and we will have more children. This time I won’t let you go.
Dzikama nhaika mai Denhere.”
Mucha akadzungudza; “Unondiitira shanje ko iwe une
mukadzi kumba wani?” Mucha akadaro.

Page | 130
“You know very well why I am still with that woman. You
caused all these delays Mucha!” Rodney akadaro nehasha,
akaenderera; “Zviri kupera zvese izvo this year.” Rodney
akadaro. Vese vakambonyarara vave kudzikamisa shungu
dzavo.
“Sophie, Miss Takawira is a very good person.” Mucha
akazodaro zvakare.
Rodney akangonyarara akaterera, Mucha akaenderera;
“Sophie akandivhura maziso, akandionesa zvandaive
ndisingaone mazuva ese. Dai ndakasangana naye mazuva
enyaka nyaka dzako naCindy dai ndakakwanisa kugadzirisa
upenyu hwangu. Kwete kuzviwedzera nhamo kwandakaita.”
“Akakudzidzisa to judge me handiti?” Rodney akabvunza.
“Aiwa, akandidzisdzisa kuti ndizvikoshese inini. And
iyezvino hona ndave naMonica, nyangwe ndikazove mai
Denhere sekunyepa kwako, Monica chiyeuchidzo chekuti
ndakambove naTau. Then toita mumwe mwana ummm,
Monica anozovei? Zvakaoma wena baba ’Sharo.”
“I promise you, Monica will be our adopted daughter.
Sharon anoda munin’ina wake. Tinovarera zvakafanana. As
long as Tau doesn’t interfere and poison the child against me,
zvinoita.” Rodney akadaro.
“Ndinoda kuenda kuchurch kwana Sophie. I need to be
strong spiritually tozonyatsoona kuti todii.” Mucha akadaro.
“Also think about kuita the Dispensary Assistant Course. I
will help you with everything, including assignments.” Vese
vakaseka Rodney ndokumutsa motikari voenda kumba.

Page | 131
Musi weMugovera masikati Rodney akatanga aenda
naSharon kumba kwaamai vake kuAvondale. Semazuva ese
paive nehama dzekwaDenhere dzaibata bata vachishanda
zvakasiyana siyana. Akabva azoperekedza Mucha kuChurch
kwaaienda naSophia.
Vakasvika ndokuwana vanhu vachiri kusvika pachechi,
vazhinji vakamira panze. Rodney akandomisa motikari yake
nechekure nekwaive nevanhu vainamata. Sophie akaenda
pavaive ndokundotaura navo uye kutambira shamwari yake
waakange adaidza kuzonamata.
“Ko Mr Denhere hamusi kupindawo here muchurch
nesu?” Sophie akadar achiseka.
“Whatever zvichaudzwa mai Sharo I will follow.” Rodney
akadaro achiseka, Sophie ndokutiwo, “Hoo, sekai m uchidaro
ndozvichakuteverai zvamataura izvozvo.”
Sophie akacheuka ndokusimudza ruoko akatarisana
nababa vechikuru vaipinda muchechi.
“Avo ndivo vaTakawira baba vangu, ndiEvangelist
muRivers of Revival Church. Ndakavaudza kuti I invited
you………..” vese vakacheuka ndokuona vaTakawira
vatosvika pavaive. Mucha akatyora muzura ndokukwazisa
baba veshamwari yake, Rodney ndokubuda mumota
achibvisa kepesi nemagirazi matema aakange akapfeka
ozokwazisa muvhangeri ava.
Sophia akabva aita kuti vazivane vese. Baba Takawira
ndokuti; “Let’s get inside, service yave kutanga.”
“Oh ok, Mucha, wondifonera and I will come pick you
up.” Rodney akadaro ave kudzokera mumotikari yake.

Page | 132
“Young man, ko kuperekedza vamwe ndokudii? Huya
nhasi chete mwanangu.” VaTakawira vakadaro kuna Rodney.
Rodney akaseka seka ndokuramba achienda kumota yake.
VaTakawira vakabva vati; “Ndave kutungamira, ndokuonai
vasikana.”
Rodney akaramba akatarisa baba vaya hana yake ichirova
achiedza kufunga paakambovaona. Akabva ati kuna Sophia;
“This is not my first time kusangana nababa vaTakawira.
Ndakambovaona chete. But handichaziva kuti kupi and
where.”
Sophie akanyemwerera achiti; “Oh yes, mbuya, amai vavo,
vane High Blood Pressure, vanorapwa pamaDoctors
epaMakomva, vanouya every month and vanozotenga
mishonga in your Pharmacy. Saka maybe ndopamakaonana.”
Rodney akangogutsurira ndokusiyana nazvo, asi mwoyo
wake waive nekumwe kwaaiziva kwaakamboona asi
pfungwa dzakadzima. Vakazoparadzana vasikana vopinda
muchechi Rodney oenda kuAvondale kwaakange asiya
Sharon.
Rodney akasvika sekuru vake Danny vachisvikawo
nevamwe vakomana vemumusha mavo. Vakabva vavesa
moto vave kugocha nyama yembudzi yavakange vabva nayo
kwaSeke.
“Ndange ndina Cindy, ange achichema chema zvisingaite.
Wave kuitei futi muzaya iwe?” Sekuru Danny vakadaro kuna
Rodney vachivhura hwahwa, lion lager nemazino
ndokumutambidza.
“Hanziiko?” Rodney akadaro.

Page | 133
“Hanzi wakadzokera kuita zvawaiita mazuva amakachata,
zviya zviya which later on triggered the eruption of her
mental volcano.” Danny akadaro.
Rodney akadzipwa achiseka sekuru vake. Pashure akazoti;
“Ya, its time to tell her kuti the wedding was fake and I want
out.”
“Mucha is taking over, I can see.” Danny akadaro.
Rodney akabva ati; “Now I feel sorry for Cindy but nyaya
yekugara mumarriage nekuda kwetsitsi ndiyo yakandiparira
last time. And pane zvandiri kudzidzawo zvakaitwa
nevabereki vedu. Mai vangu nevabereki vaCindy wacho.”
“Vakaitei?” Danny akadaro akaterera.
“My mother sacrificed Mucha and her family vachida k uti
ndifare, ndibudirire. Ndizvoka sekuru?” Rodney akapedzisa
nemubvunzo. Danny akagutsurira achifunga nekubvuma
nguva imwe chete.
Rodney akaenderera achiti; “And vabereki vaCindy also,
sacrificed me, for their daughter’s sanity. Dai vaive
straightforward people havaitambira pfuma nekuronga
muchato vachitiudza madimikira ekuti ndisaitise mwana
wavo BP.”
Rodney akaratidza kuti aifunga zvakadzama ndokuti; “I
have a daughter now. And I am going to sacrifice everyone
for her happiness. Sharo wants mum and dad to be together
and by the end of this year, Christmas amai vake ndovanenge
vakasunga zambiya kwaSeke vachikanga nyama.”
Danny akarova muzukuru wake nechibhakera kumusana
ndokuti; “Kugara nebenzi kwakakuomesa moyo I see. Waive

Page | 134
too soft iwewe, madzimai havatererwi. Unongoita zvaunoda
they will adjust. Remember ndakaroora mbuya vako moms
vasingade, asi now she is the best grandmother. Kana my wife
anotoda kuvapa vana more than kupa amai vake. Women
vanotongwa nema emotions, iwe use brains and reasoning,
ukatevedzera zvemisodzi nemhere yavo unorasika.”
Danny akadaro, nhare yaRodney yakabva yarira Cindy
achifona. Rodney akataura kwenguva pfupi ndokuti;
“Ndiperekedzeiwo ndinotora Cindy ari kuda kuuya kuno
kune vamwe.”
Vakapinda mumota ndokuenda vese. Vakasvika Cindy
akavamirira pagedhe ndokubva apinda mumota. Rodney
akagara kumberi nasekuru vake vachityaira motikari.
Nhare yaRodney yakabva yarira zvakare achibva atanga
kutaura; “Oh hie, wati vari kupi mbuya vako? No no, it’s not
a problem, I can help you anytime. It’s ok. Kana vachinwa
that combination then we can add Spironolactone and
Doxazosin. I am not sure if I have those in stock. Hoo wati
vanouya kwaDoctor on Monday? It’s ok then. Bye.”
Rodney akaisa fone padivi ndokuti kuna Cindy; “Nhai
tichine Doxazosin in stock? Or maybe enalapril or even HCT ?
The old lady is hyprtensive and is having complications.”
Cindy akabva ati; “Who was that on the phone?”
“Sophie, the Social Worker wekuchikoro kwaSharon.”
Rodney akadaro.
“I knew it. Sekuru I told you kuti I don’t trust that Social
worker of a bitch. Why is she calling now? At a time
yaanoziva kuti the Pharmacy is closed, and the Pharmacist is

Page | 135
off duty. Mbuya vacho simply needs to go to the Doctor and
we will provide medication. What has that to do with you
Rodney? Honestly?”
“Iwe ari kungobvunza kuti voita sei nekuti mbuya vake
vari kuzvimba makumbo. And ange atori muchurch, meaning
kana abuda it was something very serious and urgent. What’s
your problem?” Rodney akadaro achisvotwa.
Cindy akange akagumbukawo; “You even know how she
spends her weekends. You are serious hey. Ko paakange
asingakuzive vaiudzwa nani? We are talking about 70 years
old gog here. Havana kutanga nhasi zvehypertension izvi.
Ingoti chete you are attracted to that girl.”
Rodney akaramba akanyarara. Cindy akange aisa musoro
nepakati pezvigaro zvekumberi achiti; “S ince wakatanga
kutaura nemusikana iyeye ndiwe wave kundotora Sharon
mazuva ese, kuwana kungondomuona chete. You think I am
stupid? Cheating is in your veins Rodney, hauchinje iwewe.”
Danny akabata bata radio achitsvaga zvekuridza asi
memory stick yacho yakaita seyakange yadzimwa mimhanzi
yese.
“Iye Sharon is the cause of all this nonsense. Kapfambi
saamai vako. Akaona amai vake vatadza kudzoka and now
she hates me and is looking for another replacement.
Whatever Sharon loves, you adore. Haumbofunga
zvazvinoreva kwandiri.” Cindy akapopota.
Rodney akatarisa sekuru vake vaityaira ndokuti; “Turn the
car sekuru tidzokere kuEastlea kumba kwemukadzi uyu.”

Page | 136
Danny akatyaira motikari ndokundotenderera paakawana
mukana wekudzokera shure. Akandomira pagedhe repamba
paigara vazukuru vake ava.
“Get out of my car!” Rodney akadaro. Cindy akashamisik a
ndokuzembera pachigaro. Rodney akabuda mumota
ndokuvhura musuo kuti Cindy abude.
“Do you want me to embarrass you in this neighbourhood?
Do you want everyone to know kuti you are a crazy woman?”
Cindy akabuda zvishoma nezvishoma. Akambozembera mota
makumbo apera simba nekutya nekushamisika Rodney
waaiona panguva iyi.
“I have protected you long enough, is this the thanks I get?
Insult upon insult, now you confirm kuti you hate my
daughter? Everyone has a breaking point.” Rodney akazodaro
vakabatana maoko vachipinda mumba. Vaiona vaiti baba
namai vepapa vari murudo vachipinda mumba mavo.
Danny akatevera ari kumashure nekuti akange aona hasha
dzaive nemuzukuru wake. Cindy akandosvika achinyura
muLeather sofa maakazviposhera. Kudhura nekunaka k waro
kwakatadza kumupodza kurwadziwa kwaaiitwa mumoyo
make.
Rodney akabva ati; “This house is your fathers, rovana
nemadziro ayo kana zvakubata.”
“Haa, zvaita seiko, azvinzwa. Uchiri kuramba uchitaureiko
Roddie iwe?” Danny akadaro achigara padivi paCindy.
“I am fed up sekuru. An ingrate akatadziwa nevabereki
vake. ndokunditenda kwacho here?” Rodney akadaro
ndokubvutira sekuru vake kiyi dzeBenz yake ndokubuda.

Page | 137
Danny akatarisa Cindy ndokuti; “So sorry muzukuru,
ndichataura naye murume wako. Hameno
zvaakatsamwawo.” Cindy akasimuka ndokuenda mumba
mekurara maakandotsvanzvadzira otsvaga mapiritsi ake.
Akanwa mapiritsi okurarisa akati wandei ndokupinda
mumagumbeze.
Danny akasvika ndokutorerawo Rodney kiyi dzemota
ndokutyaira iye.
“Wabhaiza apa muzaya. That was very wrong.” Danny
akadaro.
“Ndaneta ini, haatende zvese I have to put up with? Kuti
mwana wangu here wandingati handina kwekumuisa?”
Rodney akadaro.
Danny akange agumbukawo akabva ati; “Waneta nechii
iwewe uri iwe wakamutadzisa kuenda kumusha kwake time
yamange mataurirana kuti achaenda? Chokwadi ndechekuti
it’s difficult to love two women. Unoda Mucha and ndiye
waunoda kuve naye. Paange asisipo Mucha maigara
zvakanaka naCindy, now akadzokaka. Saka zvese zviri
kuitwa naCindy zvangoipa chete. Amai vaCindy was right
after all.”
Rodney akatarisa panze nepahwindo achiti; “Right chii
chacho?”
“Kana ukaramba uine munhu usingachamude you end up
abusing her. Usazvimanikidza kuita put up naye. Let her go.
Wamurwadzisa nhasi Rodney. It’s the frst time you said
ibenzi. That was hurtful and unnecessary especially from you.
Wamu breaker chaiko.” Sekuru Danny vakadaro.

Page | 138
Rodney akaramba akanyarara, sekuru ndokuti zvakare;
“Watch her closely anogona kuita a serious relapse. And it
will be your fault.”
Rodney akaramba akanyarara. Vakafamba vakangonyarara
Rodney achingotarisa nhare yake. Danny akazoseka chaizvo
ndokuti; “Haasi kupinduraka Mucha, wakaura, uri mam bara
iwewe.”
Rodney akaridza tsamwa ndokuti; “I want to book a room
muJameson chaimo nhasi. Akasaita nhumbu nhasi, then
handisiini baba ’Sharo.”
Danny akaseka chaizvo ndokudzungudza achiona
kutotsamwa kwakange kwakaita Rodney. Rodney akatura
befu ndokuti; “Ko Sharon anodawo mwana wamai nababa
vakeka.”

Page | 139
CHITSAUKO 13

Dear Lovely Rutendo Nzira Fans; please read this church


session prayerfully. God wants to restore something you lost
as you read this chapter in Jesus’ Name.
Sophie Takawira naMuchayemura Togara vakapinda
muchechi ndokundogara vese. Vakawana mave kuimbiwa
nziyo dzekukudza Mwari. Mufundisi Mai Chuma vakabva
vamira mberi kwesangano rese vakabata Bhaibheri ravo.
Vakaramba vakatarisa vanhu vese, ruzha rwaiitika
rwakazopera vanhu vese vasimudza musoro kuvatarisawo
sezvo vakange vatora nguva yakareba vasati vataura chinhu,
vakangonyarara vakatarisa vanhu vese.
“Nhasi ndinoda kuti mumwe nemumwe wedu muno,
ataure neMwanakomana waMwari, Munuri wedu tese Jesus
Christ. Ndichatanga nekuti tese tiite munamato
wekugamuchira Jesu saIshe neMuponesi wako iwewe wega.
Unofanira kupupura nemuromo wako wega and stamp your
identity in Christ. Kana tapedza munamato uyoyo, tese
tichapfugama. Mumwe nemumwe onamata achireurura zvivi
zvake, zvaunoziva nezvausingazive. Kuti ushaye chipomerwa
pamberi paMwari Baba.”
Mufundisi vakambonyarara votarisa vanhu vese.
Vakazoenderera mberi voti; “Mweya waMwari uri pano
nhasi. After today’s prayer, your life will never be the same
again. The Blood of Jesus is the game changer. Hatisi

Page | 140
kutamba, vauya kuzoona muchaonekwa mave imimi, vauya
kuzoedza Mwari dai mawana nyasha.”
Mufundisi vakadaidzira munamato wekugamuchira Jesu,
vakanamata vanhu vese vachitevedzera mumashure mavo:
“Mambo Jesu Kristo, Imi Mwanakomana waMwari.
Ndinobvuma pamberi penyu kuti ndiri mutadzi, uye hap ana
chandinokwanisa kuita semunhu kuzvibatsira. Ndinobvuma
kushaya simba kwangu, nekupererwa kwangu. Ndinobvuma
kutadza kwangu kugadzirisa upenyu hwangu kuti ndigoendawo
kudenga. Panguva ino ndinovimba nemi Jesu chete kuti mutore
mutoro wezvivi zvangu.
Ndinopupura nemuromo wangu nhasi kuti Jesu Kristo
makandifira pachipiyaniso, makaita izvi kuti ndikwanisewo
kuwadzana naMwari Baba. Ndinotenda kuti Jesu Kristo makakurira
Satani, makamuka muvafi, kuti neniwo ndizomuka, ndiwane
hupenyu hutsva mamuri. Ndinotenda Jesu Kristo makatakura
kutadza kwangu kuti ini ndive mwana waMwari. Kuti ndiwane
upenyu husingaperi. Nemuzita raJesu. Amen.”
Mufundisi vakabva vakurudzira kuti vanhu vese vanamate
vachichema zvivi zvavo. Painamata vanhu vese, mufundisi
mai Chuma vaiverenga Mapisarema 51.
Pashure vanhu vese vakazogara pasi. Mufundisi
ndokuenderera mberi;
“Nhasi Mwari vedu vari kuzodzorera mumwe nemumwe
wedu zvaakabirwa naSatani. Vamwe venyu makabirwa
mabasa enyu nekusaziva. Vamwe makabirwa mabhizimisi
enyu nemweya yehurombo inotenderera mumadzinza.
Vamwe dzimba dzakaparara zvamusinganzwisise, nanhasi

Page | 141
munongoti inga taidanana, tinodanana wani, asi hamusi
mese.”
Vanhu vese vakadaidzira “Amen,” inzwi raMuchayemura
richidaidzirisa pakunamatira dzimba apo.
Shoko raMwari pana Isaiah 61 verse 7 rinoti; Panzvimbo
yokunyadziswa kwenyu, muchapiwa migove miviri, panzvimbo
yokushorwa vachafarira mugove wavo; naizvozvo panyika yavo
vachava nemigove miviri, vachava nemufaro usingaperi.”
Mufundisi vakambonwa mvura ndokuti; “Vazhinji tave
kungoti chikuru kufema, nekuda kwekuti tarisiro
nehurongwa hwese hapana chinobuda. Asi nhasi in this
prayer room, Mwari vari kudzorera zvese zvakarasika.
Pana Mark 5:25-34 pane nyaya yemukadzi airwara
achibuda ropa kwemakore gumi nemaviri. Tingati isusu
paakatanga kurwara, aingoti ndezvenguva shoma, kutevera
kana kugeza kwemunhukadzi zvichapfuura. Asi zvakaram b a
zvichienderera.
Pane vanhu vanorarama saizvozvi pakati pedu,
dambudziko rinodzorera kumashure rinotanga saizvozvo.
Rinotanga sediki, asi zvoramba zvichitoenderera zvekuti kana
newe unotozojairira kuti ndihwo upenyu hwangu. Nhasi
Mwari vari kumisa zvese zvinorasika muupenyu hwako.
Mwari vari kudzikamisa zvese zviri kuparara muupenyu
hwako.
Mukadzi uyu nekurwara kwake akarasikirwa
nezvakawanda. Akarasikirwa nehutano, mari yese yakaperera
kumachiremba achiedza kurapiwa. Akarasikirwa nehama
neshamwari. Nemazuva iwayo vakadzi panguva yavaienda

Page | 142
kunguva vaisabvumidzwa kupinda mutembere kundonamata
nevamwe. Saka ange angove munhu anogara ega pamba.
Asi musi waakabata mupendero waJesu, upenyu
hwakashanduka ipapo ipapo. Kana ivo Jesu vakanzwa kuti
uku kubatwa kwasiyana uku. Bible rinoti Jesu vakamira,
vakatarisa tarisa vakaudza vamwe vavo kuti pane andibata.
Asi vadzidzi vavo vakavaitisa nharo kuti vanhu vakawandisa
matsikirirwa.
Asi Jesu nekuti ndiJesu, anoziva nekunzwa kusiyana
kwekubatwa kwaanoitwa nevanhu. Hanzi mudzimai uyu
akabata mupendero waJesu zvakapedza Muponesi simba.
Nhasi taura nemuromo wako nekutenda kusvika Jesu
ambomira dzimwe nyaya dzese. Mwari ngavakucheuka kuti
pane andidaidza zvakasiyna nevamwe vese nhasi, nekuti
watenda kuti kune Muponesi anonzi Jesu.
What is that situation inoda special attention yeMuponei
wako? Haide big attention, inoda special, small but special.
Nemupendero chete mudzimai akapora. Nekutenda kwako
kuti Jesu vanozviita muupenyu hwako, that situation must
change in Jesus’ name.
Munyika tinoziva kuti kana ukadzorerwa zvinhu zvako
zvakambotorwa kana zvange zvakabiwa, unowana
zvakasakara, zvine tsvina kana kubvaruka. Zvinodzoka
sezvazvaive kana kuti zvatowedzera kushata.
Asi kana Mwari vachiti ndinoda kukudzorera
zvakambobiwa neSatani muvengi wako iwe unotenda muna
Mwari…………. Vanenge vachikupa zvitsva, something
perfected and better than zvaivepo pakutanga.

Page | 143
Izvi zvinonyatsotsanangurwa muna Jobo. Panyaya yaJobo,
shoko rinoti: Job 42:12 Saizvozvo Jehovha akaropafadza
kupedzisira kwaJobho kupfuura kutanga kwake…..
Ko sei tichimboshaya zvatakapiwa naMwari pakutanga
peupenyu hwedu? John 10:10 "The thief cometh not, b ut for to
steal, and to kill, and to destroy."
The truth is that Satan has destroyed.... He has stolen our
finances. He has taken away our families. He has destroyed
our homes. He has killed our hope and faith in God. He has
taken away our dreams. He has thrown cold water upon our
zeal to serve God. He has destroyed our health. He has stolen
our joy. He has destroyed our honor. He has taken away our
freedoms. He has stolen our peace. Hapana chaaisngabe
nekuparadza Satani uyu.
The devil is come to steal, kill, and destroy.... to devour.
Iwewe wakabirwa chii? What has be stolen from you?
God wants to restore everything to you. (Remember God is
sovereign ruler).
Mwari ndiMwari Jehovah vane masimba ose. Chavataura
chinoitika. Simudza kutenda kwako Mwari vadzorere zvako
zvese.
Psalm 23:3 He restores my soul. He leads me in paths of
righteousness for His name’s sake.
Joel 2:25-26 I will restore to you the years that the swarming
locust has eaten, the hopper, the destroyer, and the cutter, my great
army, which I sent among you. “You shall eat in plenty and be
satisfied, and praise the name of the LORD your God, who has dealt
wondrously with you. And my people will never be put to shame.

Page | 144
Genesis 32:26 Then the man said, "Let me go, for it is
daybreak." But Jacob replied, "I will not let you go unless you b less
me.
Ita saJacob, uti kuna Mwari: Handikusiyei kusvika
mandiropafadza.
God is a good God! And He’s got good things in store for
us. Don’t let the devil steal anything from you.
Declare restoration over your life! Take what belongs to
you, in the Name of Jesus.
When God of total restoration/recovery shows up in your
life, what took others 10 years to achieve, will take you only
10 days. When this God of restoration shows up, your major
breakthroughs appear as God’s best timing for you.
Ngatinamatei
1. I retrieve back from the hands of the enemy any of m y
possession that I unknowingly misplaced, in the nam e
of Jesus.
2. I receive the anointing of restoration, in the name of
Jesus.
3. I command all the damages done to my life by any evil
powers to be repaired, in the name of Jesus.
Vanhu vese vakatanga kunamata vachidaidzira mufundisi
achifamba famba mukati mevanhu achikurudzira munamato.
Vamwe vairidza mhere, vamwe vaiumburuka pasi vamwe
vachirutsa. Mweya Mutsvene akange auya pakati pevanhu
kuzodzora zvakabiwa. Mweya Anoera vaiita basa ravo
rekudzora zvakatorerwa vana vaMwari.

Page | 145
Muchayemura akabuda muchechi 7 yachaya. Ainzwa
muviri wese kuneta nekureruka seakange abviswa mwana
waaigara akabereka kumusana. Akabva angoona Benz
yaRodney mhiri kwemugwagwa.
“Ah munamato unoita neusiku ndokudii? Wanonoka sha.”
Rodney akadaro apo Mucha akapinda mumota.
Muchayemura akabva ati; “Dai wauya wena, handisati
ndamboona simba raMwari zvakadaro. My first time
kunamata ndichinzwawo kuti pane kuri kuenda munam ato
wangu. Kunzwa kuti pane ari kuterera zvandinonamata
achiita something nazvo.”
“Let’s go celebrate kugona kunamata kwako.” Rodney
akadaro achibata dama raMucha.
“Kupi?” Mucha akabvunza achizembera pachigaro pake.
“I booked a room kuJameson mai Sharo. We are going to
have a time of our life. I want to treat you zvausati
wamboitwa in your life. Remember I promised to love you
zvausingafe wakakanganwa.” Rodney akadaro ndokutsvoda
Mucha padama.
Mucha akadzungudza; “Une mukadzi mumba mako
Rodney. Enda undorara naiyeye. Rudo rwemuJameson Hotel
rwebonde here? Rudo rwemuHotera runopera panobuda
zuva mangwanani sekupera kunoita rima rakupinzai imomo?
Kana woenda kumba kwako uchindisiya ndosara feeling like
a used condom, picked, used and dumped. Handichada
Rodney.”
Rodney akambonyarara ndokuti; “Ok, saka ndoita sei?
Unoda kuti ndiitei?”

Page | 146
Mucha akabva ati; “Hande unondisiya kumba kwedu.
Ndoda kutaura namainini ndivaudze zvandadzidza kuchechi
uku. Kuti mangwana Sunday ndigouyawo navo.”
Rodney akaramba akanyarara, mai Sharon ndokuenderera;
“Iwewe, utsvage day raunoda tindoona vana Evangelist
Takawira kumba kwavo. We need help and a father figure
kuti toita sei nenyaya yedu.”
“Oh ok. Ndozvazvave nhai. This Sophie girl andiparira
home and away.” Rodney akaseka asi Mucha haana
kunzwisisa zvaakange ataura. Mwoyo nepfungwa dzake
zvakange zvave kumba kwavo. Shoko re Restoration,
kudzoredzerwa zvakabiwa nemuvengi rakange ramubata.
Rodney akatyaira motikari vakanyararisana ndokundosiya
amai vemwana kumba kwavo.
Musi uyu pamba pamai Togara vakazorara pakati peusiku
Mucha achiparidza zvaakange anzwa. Mai Togara
vakakwanisawo kutaura namai Takawira amai vaSophie
vakavimbisana kuzoonana pazuva raitevera racho musi
weSvondo.

Page | 147
CHITSAUKO 14

Pavhiki yakatevera, musi wemuvhuro, apo nguva dzange


dzave kuma 11 mangwanani. Rodney naCindy vaishanda
vese chinyararire vachiita zvemishonga yavo. Mangwanani
ese vanhu vakange vakawanda vaibva kumaChiremba aive
panzvimnbo iyi. Pashure mazopinda vamwe ambuya
vechikuru. Munyaradzi akabva angovapa pekugara
ndokumirira kuti nguva yavo yekupiwa mishonga isvike.
Vachidaro Rodney akabva afonerwa naSophie; “Mr
Denhere, mbuya vangu vari ikoko, ndange ndichifanira
kuuya kuzovatora asi mota iri kuramba kumuka. Baba vangu
ndovauya navo vakazovasiya. Now vaenda kumeeting, phone
dzavo vese not available.”
“Oh Sophie, uri kuda kuti ndivatarise kumaDoctors here?
How can I help?” Rodney akadaro. Paakataura zita rekuti
Sophie, Cindy akasimudza musoro maoko achibvunda
akaterera zvaitaurwa. Akanzwa hasha achiona kufara
nekuseka kwaiita Rodney naSophie uyu ivo vakange varara
vakafuratirana weekend yese. Akaramba akanyarara achiita
basa rake.
Rodney akabva adaidza Munyaradzi ndokuti; “Can you
check pane vanhu vari muQueue kuti pana ambuya vanonzi
Ruth Takawira here?”

Page | 148
“Avo vandagarisa apo, regai ndiuye neCard ravo.”
Munyaradzi akadaro ndokutora pakange pakanyorwa
mishonga yambuya Takawira.
Rodney akaverenga ndokuti; “Ndave kuvapa what we
have but hatina Enalapril or Captopril and Lisinopril. Let me
see how I can help her. Cindy ndave kumbobuda.” Rodney
akadaro ndokutora kiyi dzemotikari yake ndokuenda
pakange pakagara mbuya Takawira. Akasvika
ndokuvakwazisa ndokureva zita rake nezvaaiita apa.
Akapedzisa achiti; “Ndiri shamwari yaSophie, ati
ndikutaurirei kuti motikari yake yafa. Saka regai ndimufonere
mutaure naye.”
Rodney akashandisa nhare yake kufonera Sophie ndok uti;
“Ambuya vari muno yes, and ndavapa most of the drugs but
pane three atisina. Let me drive her to town ndichizotora
Sharon and I will go kuMedix ndonovatsvagira ikoko.
Mondimirira mese naSharon. Chitaura navo uvaudze iwewe
kuti ndave kuvaperekedza. And by the way, do you need a
mechanic? Mota yazodii?”
Sophie akatenda chaizvo murunhare ndokuti; “My
boyfriend auya naMechanic vakatora mota saka that one is
sorted. Regai ndibva ndamuudza kuti ambuya vauya. Ndave
kukumirirai. Thank you Mr Denhere.”
Rodney akapa nhare yake kuna mbuya Takawira
ndokubva vataura nemuzukuru wavo. Vakazotarisa Rodney
ndokuti; “Ndatenda muzukuru wangu.”
Rodney akadaidza Munyaradzi ndokuti; “Perekedza
mbuya kumota yangu ndiri kuuya now.”

Page | 149
Rodney akadzokera kuseri kwaive naCindy ondokumura
bhachi rake rebasa. Akabva ati; “Ndave kumbobuda. See you
after lunch hour.” Rodney akadaro.
Cindy akadzungudza ndokuti; “Enjoy lunch with your
daughter and your bitch.”
Rodney haana kupindura, akabva angobuda oenda
nambuya Takawira kudhorobha. Vakasvika zvakanaka
ndokutora Sophie naSharon. Vakabva vananga kuMedix
Pharmaceuticals kwaimboshanda Rodney. Akandotaura
nemasahwira ake vaive umu mbuya Takawira
ndokukurumidza kupiwa mishonga yavo.
Pavakazopedzerwa apa, Evangelist Takawira namai
Takawira vakange vamira panze. Mhuri yese yakatenda
Rodney ndokuparadzana Rodney odzokera kwaMakomva.
Cindy haana zvimwe zvaakazotaura asi akange ogara
akasuwa uye akange onwa mapiritsi ekurarisa zvakanyanya.
Rodney aizviona asi haana kuita hanya nazvo. Akange ave
kutevererana namai Sharon. vakange voramba kutamba naye
sezvavaiita kare. Kana pakupera kwevhiki iyi, mai Sharon
vakange varamba zvakare kuenda kunzvimbo dzemafaro
sezvavaisiita nekundorara kumaLodge.
Akange onyanya kuteverera nekuuti aifunga kuti
kungangonyuka mumwe Taurai iye achigadzirisa Cindy
asingagadzirisike. Pakupera kweSvondo iyi, apo Mucha
akaramba kutandara naye. Rodney akange andoita mazuva
maviri ari kumba kwasekuru Denhere, baba vaDanny,
achivaudza kuti ave kuda kuroora mai Sharon.

Page | 150
Akavaudza chokwadi nezvemuchato wake naCindy.
Sekuru havana zvizhinji zvavakataura asi kungoti muzukuru
wavo atange apedzerana naCindy nevabereki vake.
Musi weSvondo manheru, Sharon akauya ndokusiiwa
naRodney. Rodney akapinda mumba ndokukwazisa vanhu
vese ndokupa mai Togara mari yaakati ndeyekuvatenda
kuchengeta Sharon zvakanaka kwavaiita.
Mbuya vemuzukuru vakairamba vakati; “Nhai baba
vaSharon, inga makatipa imba iyi. Kana imba iripo chete
muzukuru wangu haazorara nenzara. Chamungandigonera
kurega kuita imba yamakavaka seBrothel yenyu baba
vaSharon mwanangu.”
Rodney akabwaira bwaira ndokuti; “Ndiri kukunzwisisai
amai, weekend yese ndozvandaironga nana sekuru vangu.
Kana zvekwedu zvangomira zvakanaka ndinokuudzai. Mhuri
yangu ndinoida.”
Mai Togara vakabva vati; “Ndakanzwa Mucha achiti
muchandoona Evangelist Takawira muri mese. Dai maenda.
Kana iye mudzimai wenyu Cindy anotodawo kubatsirwa
nemunhu waMwari.”
Rodney akange atsikitsira atsigira maoko nemabvi ake
ndokuti; “Chokwadi, tichaita appointment navo tigoenda tese.
Asi zvaCindy achaita navabereki vake.” Akasimuka
ndokubuda achiperekedzwa naMucha naSharon.
Paakangobuda, Monica akabva aenda pana mbuya vake,
akaeredza misodzi achiti; “Mbuya ndakakuudzai kuti baba
vaSharon vachatora mai vangu. Vanonditarisa vakatsamwa,
ndozviziva kuti havandifarire. Neniwo handivafarire futi.”

Page | 151
“Iwe unogara neni muzukuru wangu. Chirega kuchema.
Iwewe haubva pano.” Mai Togara vakadaro vachimugarisa
pamakumbo avo nekumugumbatira. Muchayemura naSharon
vakabva vapinda mumba.
“Ko madam Madzivanyika vanochemeiwo?” Mucha
akadaro akafara chaizvo.
“Ari kunzwa mudumbu, ndatomupa mushonga uya
weWhite nemvura yemunyu nesugar.” Mbuya vakadaro.
Mucha akaseka ndokuti; “Ko mvura yemunyu nesugar ari
kuita diarrhea here? Ari kurutsa here? Zvambuya nhai.”
“Ko muri kufarireiko kudaro?” Mai Togara vakadaro kuti
nyaya yekuchema kwaMonica isiiwe.
“Soooo amai, baba vaSharon afonera Evangelist Takawira,
vakati tiuye kuDinner kumba kwavo on Saturday night. Amai
ndave kudzokera mumba mangu chaimo chaimo. Restoration
yeimba yangu yauya inini.” Mucha akapedzisira misodzi
yazara mumaziso.
“Totenda yavira shambakodzi yedemhe. Mumba mako
mune mukadzi arimo. Ivo muvhangeri pavachandonzwa
nyaya yenyu yese yechokwadi vachati chii? Ko ngatitii Cindy
ovavingawo ega, yake Restoration vanomutiwo chii?” Mai
Togara vakadaro.
Muchayemura akasimuka oenda kumba yekubikira achiti;
“Hameno ikoko ini zvangu ndoziva zvichaita. Nhamo
yeimwe hairambirwe sadza.”
Sharon akabva apinda mumba mekutandarira umu
akabata madhirezi maviri ezera rake akange akanaka chaizvo.
Akatambidza Monica ndokuti; “Imbopfeka tione. I got those

Page | 152
dresses from auntie Cindy’s cousin who lives in the UK. But
akakurisa kwandiri. Momo unokwana.”
Mbuya vakatambanudza madhirezi aya vachiyeva kunaka
kwawo. Mucha akauya ndokuonawo madhirezi maviri aive
eruvara rwePink akasonwa nejira reOrganza akaiswa
Embroidery yevana vadiki yakanakisa uye yaive yemhando
yepamusoro.
Mbuya vakakumura Monica kasiketi nekabhurauzi
zvaakange akapfeka ndokumupfekedza rimwe remadhirezi
aya. Rakangopinda musoro kwave kutoti ndi pachipfuva.
Vakariedza nekumakumbo zvakare asi zvairamba.
Vakakaritsana naro vese, mwana aipfeka, mai vake nambuya
vake vachida kuti rikwane asi rakabva raridza mhere
yekubvaruka nezvavairimakidza kuita. Vese vakagumbuka
ndokurikandira padivi.
Vakatora repiri ndokubva rapinda, kundoti zip vharika
weee, yakaramba. Vakaedza kubatanidza mativi ese zip
ndokukwachuka ichibva padhirezi.
“Uchinyanya kudyisa hezvo wotadza kukwana zvinopfeka
vamwe vezera rako. Munhu weGrade 3 anopfeka zvevana
veGrade 7? Hona ndiwe wofanira kutokumurira mukoma
wako mbatya.” Mucha akadaro.
Mai Togara vakabva vati; “Hezvo, aita seiko mwana? Ko
akasarudza kuita muviri muhombe here?
Ndichandokutengera madhirezi ako aunokwana
pandinoenda kuTanzania zvako Monica iwe. Ndokutengerai
bhutsu dzakafanana mese naSharo. Handitika?”

Page | 153
Sharon akasekerera mbuya vake, Monica ndokusunga
muromo akatarisa amai vake avo vakabva vabuda voenda
mumba mekurara.
Monica akatarisa Sharon ndokuti; “Waudza baba vako kuti
uchandipa twuhembe twusingakwane here utwu?”
Sharon akakwidza mapipito ndokuti; “Handiti they are
mine, I can give to my sister if I want to.”
“Usandipe mbatya dzako. Ambuya natete
vachanditengera, next time upe mhamha zvatengwa kumba
kwenyu.” Monica akadaro ndokusaidzira Sharon
achimutsika achienda kundorara nambuya vake. Sharon
akagara pasofa ndokubata bata chigunwe chake change
chatsikwa misodzi yakazara mumaziso.
Mbuya vakabata bata chigunwe chemuzukuru wavo
ndokumusimudza vachimusekenyedza ndokundomusiya
pamubhedha paamai vake vasina zvavataura.
“Mummy Monica hates me. Why? We are both your
daughters why mummy?” Sharon akabvunza amai vake.
Mucha akamboverenga message yaibva kuna Sophia
ndokubata mwana ruoko asi maziso ari paPhone achiti;
“Haiwa, musiye, atsamwira kusakwana hembe chete.
Anogara akafundumwara satete vake mai Kuda. Anadzo inga
wani hembe.”
Musi weChishanu mangwanani, Muchayemura
akarongedza bag raive nembatya dzaSharon dzaaienda nadzo
kumba kwababa vake kuEastlea. Monica naSharon
vaindogeza vese mumba mairara amai vavo. Apo vakapedza
kugeza amai vakange vogadzira malunch box avo vese uye

Page | 154
kuvapa kudya kwemangwanani vari kukicheni. Vana
vakagara ndokudya.
Monica akakurumidza kupedza ndokudzokera mumba
mairara amai vake. Akaona bag raive nembatya dzaSharon
ndokuvhura ndokuona madhirezi aye aakange ambopiwa
akaramba kukwana. Akavhura mudhirowa maamai vake
ndokutora chigero. Akandokiya musuo ndokutanga kugera
achicheka cheka madhirezi aya. Akaunganidza hurubvu
rubvu hwese ndokudzorera mubag ndokuvhara sezvaak ange
awana rakaita.
Paakange obuda musuo wakaedzwa kuvhurwa asi
pakange pakakiiwa. Wakaedzwa zvakare achibva akiinura.
Vakapesana pamusuo namai vachipinda iye achibuda.
“Watorei Momo iwe? Asi wazora lipstick yangu?” Mucha
akadaro achitarisa tarisa paive nemafuta ake.
Monica akadaidzira kuti; “Ehe mhamha.” Ave paverandah
ndokufambisa oenda kuchikoro. Kana paakapfumburirwa
guruva nemotikari yekwaDenhere haana kuita hanya nazvo
musi uyu.
Musi weMugovera mangwanani kuEastlea, vatete Shereni
vaishanda kumba kwamai Roddie ndivo vaitsvaira
nekuwacha mugovera wega wega. Izvi mai Rooddie vakaitira
kuchengetwazve kwemuzukuru wavo apo aive kwababa vake
nemudzimai wavo.
Vatete vakasvika 7 dzichangochaya ndokutsvaira mumba
nekubudisa zvavaida kuwacha. Rodney paakaona vauya
akabva ati; “Tete ndichambondosukisa motikari. Sharon achiri

Page | 155
akarara, and Cindy haasi kunyatsonzwa mushe.
Mungovatarisa vese.” Akabva abuda ndokuenda.
Apo vatete Shereni pavakazopinda mumba vakawana
Sharon ave kuona Tv akapfeka mbatya dzekurara nadzo.
Vakakwazisana vatete ndokuenda mumba mairara mwana.
Vakarongedza rongedza ndokuvhura bag rakange rabva
kuGlen View. Vaiziva kuti mbatya idzi dzaiuya dzakachena,
vaingowacha yunifomu yaainge asvika akapfeka neChishanu
chete.
Cindy akabva apindawo nebhutsu dzake dzaaichengetera
muWardrobe yaSharon. Wardrobe iyi yaisave nembatya
dzaSharon dzakawanda nekuda kwemisha yake mitatu
kwaigara zvimwe zvipfeko zvake.
Vatete Shereni vakavhunduka pavakabata madhirezi
vachiedza kubudisa zvichiramba zvichingoita madhende
asingaperi. Vakazokuturira zvese pamubhedha
ndokupatsanura zvakadimbuka nezvisina. Vese naCindy
vakange vachitarisa kuti chii chaiitika munhava yakange
yabva kwaMakomva.
“Shaaaaarooooooon!” Cindy akadaidzira senyenze mwana
ndokupinda achimhanya.
“Why didn’t you tell me that you hate the dresses that my
cousin bought you with love? Why? Wakandoachekera chii
naamai vako?” Cindy akadaro achiswedera kumwana.
Sharon akatarisawo madhirezi ake akange akanaka aaida
kupa Monica akarwadziwa dzangove shinda dzega. Sharon
akadzungudza akatarisa mbatya dziya ndokuti; “I don’t
know……… who did this? But why?”

Page | 156
Vatete Shereni vakamira pakati pemwana namainini vak e
ndokuti; “Aiwa muroora, izvi zvinoda kutobvunzwa amai
vake. Kana mwana achiti haazive, zvinoreva kuti haazive.”
Cindy akazhambatata; “This brat is a liar. Evil liar like the
evil grandmother. She did it on purpose, just to make me
angry and yeeeees, I am angry, very angry.”
Cindy akabva arovera misuwo yese achienda mumba
maairara. Vatete Shereni vakambotaura naSharon asi
vakaonawo kuti chokwadi, mwana akange asingazive
zvakange zvaitika. Vakabva vaenda panze pavakange vachida
kupedzisa kundoyanika mbatya dzavakange vawacha.
Cindy akadzokera mumba mairara Sharon ndokuwana
mbatya dziya dzichiri pamubhedha. Akabata bata maoko ak e
achibvunda nehasha. Akafamba famba mumba umu
ndokuzowana Sharon ari ega achiona Tv akagara pasofa.
“Wazoti wachekerei mbatya dzangu iwewe?” Cindy
akabvunza akatanangira mwana akange akagara pasofa.
“Honestly auntie Cindy, I don’t know. I am just as shocked
as you……..” Sharon akadaro akatarisa mudzimai wababa
vake.
Sharon haana kuzopedzisa akabva arohwa mucheka
wembama wakamupesanisa shaya. Kana kuchema akatadza
nekurwadziwa kwaakaitwa panguva iyi. Paakange oita
sekupepuka, akabva asimudzwa ndokupotserwa kuseri
kwesofa.
“Tete Sherry …………….” Sharon akaedza mhere isina
kuenda kure nekuti akabva atsikwa tsikwa
achishandurudzwa musana nedumbu. Vatete Shereni

Page | 157
vakange vaita manzwira kure kudaidzwa kwavo. Vaitarisira
kuona achibuda pavaive. Pavakaona asina kubuda vakafunga
kuti vakanganisa kunzwa. Pavakazonzwa bhidhiri bhidhiri
yanyanya mumba ndopavakati regai ndidongorere kuti muri
kuitwei.
Vakaona Cindy achipfura mwana negumbo, uye kumeso
kwaSharon kwakange kwazara ropa. Vakagobongomora
mhere vachindosundidzira Cindy kuti vanhonge mwana.
Vakaita sevasaidzira madziro. Vakanzwa musana kupisa
ndokuona vachirohwa nemabhande matatu. Vakabuda panze
vachiridza mhere zvakadaidza vavakidzani vavo uye
mapurisa aipfuura mumugwagwa. Varume chaivo
vakasimba, nemapurisa nengetani dzavo ndivo
vakazokwanisa kuzorodza Cindy pakurova Sharon, nekurova
chimwe nechimwe chaaikwanisa kusangana nacho.
Rodney akashamisika pamba pake paine mota yemapurisa
neAmbulance uye vavakidzani vese. Vatete Shereni vakange
vafenda vaiswawo muAmbulance. Paakasvika Ambulance
yakasimuka yoendesa varwere kuMedix Private Hospital.
Akatevera ave kutyairwa nemumwe wemapurisa
aimutsanangurira zvakange zvaitika mumba make. Murume
mukuru akasvimha misodzi paakasvika pachipatara achinzi
ngaambomira kuona mwana wake aive muComa, ari muICU,
varapi vaiedza kumuraramisa.

Page | 158
CHITSAUKO 15

Pamba pamai Togara, mangwanani eMugovera apo vese


vakange vachangomuka vachitsvaira tsvaira nekurongedza
mumba. Mainini Mary vakenge vasvika usiku hwakange
hwapfuura.
“Iwe mai Sharon wasimba, pane twumwe twuma dress
twako twawaipfeka kare. Chindipawo.” Mary akadaro ari
mumba mavakoma vake mekurara.
Mucha akaseka ndokuti; “Tora wena ungandibatsira
pakurongedza apa. Tanga neMonarch iro riri pamusoro
peWardrobe uone dzirimo.”
Mucha akadaro akakotama achitsvaira pasi pemubhedha
wake. Akadzosa mutsvairo wakabata chigero nehurubvu
rubvu hwemadhedhe akatarisa akashaya kuti chii. Mary
akatarisawo ndokuti; “Asi vasikana ava vaisonera zvidhori
zvavo muno.”
Mucha akatambanudza achiti; “Kuti kudaro, asi ndiri
kushaya kuti jira rakadai iri lace yakanaka kudai
vakaiwanepi.”
“Kune vanosonaka pamaShops, vane yese yese.” Mary
akadaro achiseka. Nhare yaMucha yakabva yarira, Mary
paakaona vari baba vaSharo vaifona akabva adaira achiseka.
“Ah sorry sekuru Danny matii? Ehe vese vari pano. Aita
sei? Aaaaah ok ok.” Mary akazopedzisa kutaura audyura
meso. Mucha akange amutarisa achida kunzwa.
Page | 159
“Hanzi Sharon aita accident ari kuMedix izvozvi this
morning handei.” Vese vakaita chipata pata ndokuenda
kuchipatara kwavakange vanzwa kuti Sharon aive. Vakawana
mhuri yese yekwaDenhere vavepo. Rodney aive akagara
nambuya nasekuru vake baba vaDanny. Muchayemura
nehama dzake vakavhunduka zvakanyanya pavakaona
vanhu vese ava. Vaiita sevakarinda chitunha. Rodney
akaramba akatsikitsira misodzi ichiyerera pakasvika mhuri
yekwa Togara.
Sekuru Danny ndivo vakazorondedzera zvese zvakange
zvaitika. Mary akangoti; “Aripiko mupengo wacho?”
“Aendeswa kuPsychiatric Clinic, akatosungwa makumbo
chaiko.” Sekuru Danny vakadaro.
“Ko mai vake?” Mary akabvunza zvakare asi hapana
akamudavira. Mbuya namai vemwana vakange
vangogumbata hana dziri mumaoko misodzi ichiyerera. Mary
aingoruma ruma miromo achicheuka cheuka. Mumusoro
make aida kuti mai vaCindy vasvike pavaive, avadzidzise
kuti mwana wavo mukadzi mukuru benzi anochengetwa sei.
Vatete Shereni vakabva vazouyawo vanamwa mavanga
avo avakange vaitawo musi uyu. Vakange vapiwa mushonga
waiomesa maronda uye mairitsi aipodza marwadzo.
Mhuri dzese dzakaungana vave kuterera kuti bongozozo
iri rakange ratanga sei. Vatete Shereni vakarondedzera zvese.
Mary naMucha vakatarisana. Asi Mucha akafunga apo
Monica akange ambozvikiira mumba. Akanyarara achida
kuzobvunza mwana wake.

Page | 160
Pakapedza vatete Shereni kurondedzera nyaya yavo, mai
Danny vakabva vati; “Iwe Danny chiperekedza vatete kum b a
kuAvondale. Vanotoda kuzorora ava.”
Danny akatarisa vatete ndokuti; “Handei tete inga muri
kuita sematsikwa negonyeti. Zvakaoma wena.”
Mushure memaawa mashanu, chiremba akazouya ndokuti;
“Our little girl is ok. She is out of Coma, very stable, no
internal bleeding or injuries. Asi atyoka mutsipa and a rib. She
is still in a shock, so tamurarisa. But she is very fine.” Vese
vakatura befu.
Chiremba vakabva vati; “Nhasi vabereki vemwana chete
ndovanokwanisa kumuona. Vamwe vese mangwana anenge
abuda muICU. Handei mom and dad.”
Muchayemura naRodney vakasvika ndokuwana mwana
wavo akarara. Vese vakamubata maoko chinyararire. Rodney
aizvituka nekuzvishora nekuzvidemba. Mucha aitenda
nekurumbidza Mwari kuti mwana wake aive mupenyu.
Pazuva rakatevera apo Sharon akapepuka, Mucha akabv
amboenda kumbakundogeza nekuchinja zvekupfeka achisiya
Rodney nemwana chete. Mucha akangosvika achidhonza
nzeve dzaMonica.
“Chii chawaiita mubedroom mangu nezuro pawakakiya
door rangu?” Mucha akadaro. Mwana akaramba akanyarara.
Amai vakamonyorora nzeve yemwana ikapisa. Monica
akazvinyorovesa nekurwadziwa ndokuti; “Iye Sharon ane
zvese zvakanaka zvandisina mhamha imimi. Futi munomuda
kupinda inini. Munoda baba vake asi vangu munogara
muchingovatuka……..”

Page | 161
Mucha akapererwa, akaregedza mwana ndokumusaidzira
akandodonhera pasi. Mai Togara vakazotora muzukuru wavo
ndokumurova neshamhu ndokugara naye pasi vave
kumutsiura, uye kumuudza zvavakange vamurovera. Monica
akaramba akanyarara akaterera zvaairairwa nambuya vake,
hameno kana aizvinzwisisa.
Muchayemura akandotaura nyaya iyi naRodney, amai
vemwana vaishaya zvekuita. Asi Rodney akafunga kuti
aisazogara nemwana uyu mumba make. Paaizoroora Mucha,
mwana uyu aifanira kuenda kumusha kwake kuChivhu
kwaMadzivanyika.
Mushure meSvondo rese, Sharon akazobuda muchipatara
oenda kumba. Akange akapfekedzwa zvaitsigira mutsipa
wake kuti apore nekukurumidza. Vakaenda kuGlen View kuti
andoporera kumba achichengetwa namai vake nambuya
vake. Musi wakakwanisa Sharon kumuka achigara nekudya,
Rodney ndipo paakazoenda kuEastlea. Akandorongedza
mbatya dzake dzese dzekupfeka nazvese zvaSharon zvaive
mumba umu. Akaendesa zvese kumba kwamai vake,
kuAvondale.
Musi uyu ndopakazoendawo Rodney kumba kwana
Makore, akaperekedzwa nasekuru vake vaDenhere, baba
vaDanny. Cindy akange aveko uye akange adzikama chaizvo.
Cindy akangotanga ega kuti; “I am sorry Rodney.
Ndaifunga kuti I can handle another marriage ndakatadza.”
Mai Makore vakabva vatiwo; “Kana nesuwo, taifunga kuti
Cindy akapora but we were wrong. Takakanganisa.”

Page | 162
VaMakore vakambokosora ndokuti; “actually chakaita kuti
her first husband atadze kuita put up zvachose with the
marriage pakange paita nyaya yekukanda mwana wavo pasi.
Cindy was always bad tempered, but not diagnosed.
Akazorovera mwana wavo pasi ane 6 months, hanzi nekuti
akange aramba kunyarara kuchema. That time Cindy was
taking drugs to calm herself nekuti aisarapiwa kuchipatara.”
Sekuru Denhere vakashama muromo ndokuti; “aaaah,
mwana iyeye akazodii? Imi ndiye munhu wamungaroodza
musina kutaura zvakadai?”
VaMakore vakangoti; “Akaita brain dead for a month
ndokungozofa. Cindy served time in jail but was diagnosed a
psychiatric patient akabuda and she came back home. Tese
taifunga kuti madrugs, and different environment
ndozvaikonzeresa. But now we realized it’s bigger than we
thought.”
Sekuru Denhere vakabva vati; “Isusu tange tafambira
zvedu kuzotaura kuti mudzimai wedu uyu, mwana wenyu
tamutadza. Hatichakwanisa kuramba tinaye samai Denhere.”
Amai nemwana vakatarisana ndokutsikitsira. Baba ndivo
vakazoti kufa kwemurume kubuda hura ndokuti; “You have
justified bases for a divorce Denhere. Cindy needs to heal
alone with her family, not in a marriage. She is a danger to
others and herself too. Zvaari zvinongoda vabereki vake.
Zvatiripo kudai zvakangonaka.”
VaDenhere naRodney havana kuzogarisa, vakabva
vaoneka voenda kwaMakomva kwaive nevamwe veukama
hwekwavo vaiona mwana pamba pamai Togara. Musi

Page | 163
wavaroora, marooro acho akange asina kutora nguva. Nhasi
vakange vadzosa mukadzi nemashoko mashoma shoma asina
nharo kana kusabvumirana. Kana zvemuchato wenhema
zvavaizeza kuti magweta aya achati chii vakafunga kuti
vaizoona mamwe mapepa ekunyepa vosainisa Cindy ari ega
nyaya yobva yapera.
Cindy aifunga kuti Rodney achataura naye mashoko
mashoma ekuoneka asi murume haana kana kumucheuka.
Rodney nasekuru vake vakasvika kwamai Togara vanhu
vese vekwaDenhere vatooneka vave kudzokera kwavo.
Rodney akasara apa ave kuudza Mucha zvakange zvaitika
kwaana Cindy.
Mucha akabva ati; “Evangelist Takawira vati vari kuuya
just now. Vanosvika manje manje.”
Rodney akanyemwerera ndokuti; “Good time yekuvaona
wena. Kuramba tichiverengera kwakatibatsira, ndaizoita
sebenzi risingazive zvarinoda. Ndichitaura navo ndinewe yet
Cindy ari kumba kwangu. I am ready to see your Evangelist
my wife.”
“Aripi Sharon?” Rodney akabvunza, Mucha akasimuka
ndokuuya nevana vese vari vaviri. Rodney akangotarisa
Monica ndokusiyana naye. Akabata Sharon ndokumugarisa
pamakumbo ake achiti; “Mum and dad are getting married
now. We will be one big happy family.”
Sharon akambundikira baba vake ndokuti; “I love you
daddy.”
Sharon akatarisa Monica ndokuti; “Momo, daddy says we
will be a family……….” Monica akasimuka ndokubuda.

Page | 164
“Mwana wako uyu mai Sharon needs therapy. Be careful
asati aita saCindy.” Rodney akadaro achiratidza kusafarira
Monica.
Sharon akabva ati; “But daddy, Momo mwana wamai
vangu. I love her. Akangocheka the dresses chete nekuti
pange pasina rake. But she did not ask auntie Cindy to kill m e
daddy please.”
Rodney akadzungudza ndokuti; “She still has to apologise
to me about that. And like I said, she may want to go kuna
baba vakewo.”
Mucha akange oshaya zvekutaura pamusoro paMonica.
Mai Togara vakabva kukicheni kwavaive ndokuti; “Vana
Evangelist vauya, vari kugedhe uko.” Mucha akabuda ave
kundovachingamidza nekupinda navo mumba.
Rodney akati kuna amai Togara; “Mutaure naEvangelist
nezvaMonica. Muzukuru wenyu uyu is bad news. Maybe
mumboenda naye kumusha kwake. She is poison even kuna
Sharo.”
Mbuya havana kupindura, vaenzi vavo vakange vapinda.
Baba namai Takawira vaive vavhangeri kuRivers of Revival
Ministires uye vabereki veshamwari yaRodney
naMuchayemura, mudzidzisi waSharon.
Vakatanga nekunamata nekudaidza Mweya Mutsvene kuti
ave pakati pavo. VaTakawira vakabvunza Rodney naMucha
nezveupenyu hwavo. Rodney akataura kubvira paakaroora
Cindy kusvika pavange vave. Akanyanya kutaura nezvekuda
kuroora kwake Muchayemura. Haana kuda kutaura mhosva
dzaamai vake dzaimurwadza kuvatorwa ava.

Page | 165
Mucha akataura nezvevana vake, kunyanya kusafara
kwaMonica pamba pavo. Vakabvumirana kubatsirana mwana
uyu, Sophie aizoita basa rake saSocial Worker, vavhangeri
vachirapa mavanga emweya. Mai Togara vakauya ndokugara
pasi neputugadzike yaive nemabhanzi avenge vongogara
vachibika pamba apa nekuda kwevaenzi vaizoona muzukuru
wavo.
VaTakawira vakabva vazoti kuna Rodney; “Ava vana
ambhuya vako tave kuvaziva tave kupinda chechi navo.
Kubvira musi watatanga kuonana, ndakakuudza usaite baba
vanoperekedza mhuri kuchurch iwe usingapinde.”
“Ndizvozvo Evangelist. Kutanga next week tinenge touya
tese.” Rodney akadaro.
Evangelist vakabva vati; “Yes mwanangu. Young men of
nowadays are very intelligent. Ukataura navo they reason
everything kusvika wanyarara. But they lack wisdom. And
true wisdom comes from God. Don’t just be intelligent my
son, be wise.”
Rodney akanyemwerera achibvumirana navo. VaTakawira
vakambonyarara vachinwa tea, ndokuzoti; “Saka nhai
Rodney, zita rababa ndiani? Kumusha ndokupi?”
“Hoo ah, ndinobva kwaSeke, kwaDenhere.” Rodney
akadaro.
“Hoo uri mwana wekwaDenhere? Ndinoziva vana
Denhere vekwaSeke, kuDema. Baba vako ndevapi? Danmore
kana Stanley?” Muvhangeri Takawira vakabvunza.
Rodney akabva ati; “Ivavo ndivana sekuru vangu. Denhere
izita rana sekuru. Ndakarerwa kwasekuru, mai vangu

Page | 166
ndiSharai Denhere. Ndozvimwe zvakandipa nyaya dzese
dziri kundinetsa nhasi, dzamave kundigadzirisira idzi. Muri
kutoita sababa vangu Evangelist.” Dai Rodney akatarisa
muvhangeri angadai akaona kuti vange vaoma mutezo.
Asi semunhu wemurume vakakurumidza kuzvisimbisa
ndokuti; “Ndipewo number yasekuru vako Danmore.
Takadzidza tese kuGoromonzi High School.”
“Oh sure, and vese vabva pano just 30minutes before
masvika. Mungadai masangana navo.” Rodney akadaro
achibudisa nhare yake nekutumira nhamba dzaidiwa
naMuvhangeri.
Mai Muvhangeri vakafemera padenga ndokuti; “Kudiwa
kwauri kuitwa naambuya vaSophie naiye Sophie wacho, nhai
Rodney. Vanogara vachikutaura zvekuti takatozoti mashura
chaiwo. God of restoration.” Vanhu vese vakatarisa amai ava
nekuti hapana akange anzwisisa zvavakange vataura.
VaTakawira vakabva vatosimuka ndokuti; “Tave kuenda,
ndinofanira kutaura nasekuru vako Rodney, nhasi.” Vese
vakasimuka ndokuperekedza vavhangeri pagedhe pakange
pakamira motikari yavo.
Rodney akazoonekawo ave kuenda kumba kwavo
kuAvondale. Mwana wake akange apora, akange ogadzirira
kuroora Muchayemura mudzimai waaida nemwoyo wese.
Pfungwa idzi ndodzaive mumusoro make paaityaira motikari
achienda kumba kwavo.
Paakange ave mudhorobha, sekuru Danny vakabva
vamufonera, vakangoti; “Uripi iwe, mudhara vari
kukutsvaga, uya izvozvi kuJunction 24.”

Page | 167
Rodney haana kupedza nguva, akabva angotora
mugwagwa oenda kwaakange adaidzwa nana sekuru vake.
Akaona Evangelist Takawira varipowo. Vakamutarisa
achibuda mumota kusvika paaive. Rodney akashamisika
muvhangeri vachimumbundikira ndokupfikura kuchema.
“Mwana wangu, my first born son. Ndinokutenda
wedenga mandiporesa pazuva ranhasi, ndinotenda Mwari
wangu.” Rodney akazvipunyusa mumaoko evakuru ava
ndokutarisa sekuru vake.
“Roddie muzukuru, ndivo baba vako ava, Moses
Takawira. Vave Evangelist Takawira.” Rodney akangoshama
muromo ndokuvhura door remota yasekuru vake yaange
akazembera ndokugara akaisa makumbo panze.
Rodney naMuvhangeri Takawira vakange vakaomerwa
vasina mashoko akawanda ekutaura musi uyu. Vana Denhere
ndivo vaitaurisa vachibvunza mibvunzo yakawanda
vachiedza kubatanidza zviitiko kubvira pavakaparadzana.
Muvhangeri Denhere vakabva vati kuna Rodney; “Ndaona
mese mashamisika tiri kwamai Togara pataura mai Takawira
kuti mbuya Takawira vanogara vachikutaura. And you are
also part of our restoration. Ichokwadi mwanangu.”
Rodney akaramba akanyarara akaterera, kana naiye
akange afarira chembere yekwaTakawira iyi. Muvhangeri
Takawira vakabva vati; “Kubvira musi wawavaperekedza
vaingokutaura. Vachibvunza nezvako zuva nezuva.
Nekukufananidza vachiti ko muzukuru wavo Tinashe kana
ari mupenyu atove zera naPharmacist wekuvaperekedza.

Page | 168
Pawakazvarwa ndakakutumidza kuti Tinashe. Tikatotora
birth certificate rakanzi Tinashe Takawira. Asi takaparadzana
namai vako une two years, vakandivenga zvekukuchinjisa
nezita zvese. Asi nhasi tasangana mwana wangu. Tinotangira
patabvumidzwa naMwari ipapa.”
Vakazoparadzana vachironga kuzoita matare emusha
nekuudza vamwe veukama hwekwavo. Rodney akaudza
vana sekuru vake kuti aida kundotaurira amai vake ega.
Muchayemura akapepuka pakati peusiku nhare yake
ichirira. Akatanga kuinzwira kuhope ndokuzomuka odavira.
“Halloo…..” Muchayemura akadaira nhare yake
achipinduka.
“NdiTaurai, ndiri kumusha kuChivhu. Ndinoda kuona
Monica pavari kutanga holiday kudai. Ndine mwedzi wese
ndiri kumusha. Tete mai Kuda vari kuuya kuno, taura navo
vauye nemwana wangu.” Runhare rwakabva rwanyarara.
Muchayemura akaridza tsamwa ndokuenda kuchimbuzi.
Nyaya yaMonica naTau naRodney ndoyakange yave
chironda chemukanwa kwaari. Chainetsa kupora uye
chaisakanganikwa kuti chiripo. Kuenda kwaMonica kumusha
kwake aizodzoka atonyanya kuoma musoro nekusafarira
vekwaDenhere ava.
“Mummy who was that?” Sharon akabvunza amai vake.
“Ndi daddy vaMomo. Vanoda kuti aende kumusha kwavo
kuChivhu to be with their family and relatives.” Mucha
akaedza kutsanangura.

Page | 169
“I hope she won’t choose them over us mummy. Momo
doesn’t like daddy, and daddy is very cold towards her.”
Sharon akadaro.
“Let’s pray for love between them.” Mucha akadaro ave
kupererwawo.
“Yes, I always pray with auntie Sophie so that my daddy
and Momo can love each other too.” Sharon akadaro.
“Wakaudza futi auntie Sophie kuti daddy hava………..
kuti Momo haa………” Mucha akashaya manzwi ekubvunza
nawo mwana.
“Yes mummy, ndakaudza auntie Sophie kuti daddy
naMomo don’t wanna be a family. But mummy, you know
auntie Sophie has all the answers for our family.” Sharon
akadaro vese ndokuseka nekushama n’ai vachidzokera
kurara. Mucha akagadzirisa mitsamiro yemwana wake
yaitsigira mutsipa wakange uchakatsigirwawo ndokubva
varara.
Sharon akarota achinamata achiti; “Jesus, ndinoda kuti
mwana wamai vangu, nadaddy vangu vaitewo enough love
between them.”

Page | 170
CHITSAUKO 16

Pazuva rakatevera Muchayemura naRodney vakasangana


ndokutaurirana zvakange zvaitika kubvira pavakaparadzana.
Monica akange aenda kuHighfields kwaive navatete vake
nedzimwe hama dzavo. Uye mwana uyu akange achizopedza
zororo rese ari kuhama dzake. Taurai aida mwana wake
kumusha kwake kuChivhu. Akange aine mwedzi wese ari
munyika asati adzokera kuJohannesburg kwaaishanda.
Dai zvaida Rodney zvaiitwa, aida kuti mwana uyu
angoenda zvachose kumusha kwake kuhama dzababa vake.
Asi Rodney aiziva kuti Sharon aida mwana wamai vake, uye
Mucha aida kurera mwana wake ega. Mwana uyu kange
achiremera Rodney asi pakange pasina zvakawanda zvekuita
kunze kwekuve nemoyo murefu uye kumuda semumwe
wavo.
Rodney akazotaura kuti Evangelist Takawira vaive baba
vake. Vese vakashamisika nekufara zvese kuti mubvunzo
waive naRodney muupenyu hwake wakange wapindurwa.
Kana paakataura namai vake, mai Roddie havana
zvavakataura zvakanyanya. Vakangomukurudzira kuti
azivane nababa vake muzvakanaka asazokanganwa
kwaakarerwa.
Mucha akafara zvakanyanya kuve natete vakaita saSophie.
Musi uyu Rodney akatadza kumirira matare ndokuenda
kumba kwamuvhangeri kundoona mbuya vake. Muchembere
Page | 171
vakafara vachiona muzukuru wavo mukuru akange
ambotsakatika nenyika.
Rodney akazotaura navaTakawira pamusoro penyaya
dzekwaMakore vachionesana kuti vofambisa nyaya sei.
VekwaMakore havana zvakawanda zvavakapokana
naRodney. Vakasainirana mapepa ekumupa bhizimisi rese
uye kuwirirana kuti aizobhadhara sei kwavari achitenga
zvaive zvaCindy. VaMakore nemhuri yavo vakaperekedza
Cindy kundokumbira ruregerero kwaDenhere nekukuvadza
Sharon. Vese vakamunzwira tsitsi nekuti vakazoona kuti
airwara zvechokwadi kwaisave kuzviitisa. Cindy akabva
aenda kuUSA kwaive nevamwe vemhuri yavo.
Akandorwarira nekuporerako sekuda kwaMwari.
Mushure memwedzi, Rodney akaperekedzwa nanasek uru
vake vatatu ndokundoungana vese kumba kwavaTakawira
avo vakange vadaidzawo hama dzavo kuti vatambire Rodney
mumusha. Vakaita chivanhu chekutenda vana Denhere
pakuchengeta mwana wavo. Pakave nekufara nekudya
nekunwa vese vachizivana. Mbuya Takawira vakange
vachiratidza kusimba zvakanyanya mishonga yavo
yaivashandira chaizvo, uye vaipembedza muzukuru sandiye
aibika mishonga yacho.
Muvhangeri Takawira vakange votaura nesimba
nemitsindo kuti mwanakomna wavo aifanira kuuya kuchechi
nemhuri yake. Rodney akazvipira kutevera dzidziso yababa
yaakange shuvira kweupenyu hwake hwese.
Musi wakange uchitarisira Mucha kuti Moniica achidzoka
kubva Nharira, akabva afonerwazve naTaurai. Haana

Page | 172
zvizhinji zvaakataura kunze kwekuti; “Uuye kwatete
tizotaurirana nyaya yemwana Monica.”
Mucha akabva aenda masikati ezuva rakatevera
kuHighfields kundotora mwana nekunzwa kuti Taurai aida
kuitei pamusoro paMonica.
“Chinzwai mai Monica…………..” Taurai akadaro. Inini
nemudzimai wangu mai Tau, tinoenda kuMasowe tiri kuJoni.
Uye kuuya kwatakaita kumusha, taifambira kuzoita
magadziro asekuru vangu uye kuratidzawo hama dzedu
mwana wedu.”
Mucha akaramba akaterera achishaya chaaiudzirwa
nhoroondo, vekwaMadzivanyika vakange voda kutora
mwana wavo zvachose here? aichengetwa nani?
“Ndiri kuMasowe ndaigaropiwa chiporofita vachinditi
ndine mwana mumwe chete, vachireva mucheche uyu Taurai.
Ndakambofunga kuti vaidaro nekuti Monica handigare
naye.” Taurai akatsanangura.
“Iyezvino tauya kuzogadzira sekuru, mudzimu wave
kubuda, wakabva wanongedza Monica kuti haasi wepano.
Monica akanzi haasi weropa rekwaMadzivanyika.” Taurai
akadaro akatarisa Muchayemura.
Mucha akadzungudza akatsikitsira achiita hasha nenyaya
dzemweya dzairondedzerwa naTaurai. Kwaari zvakareva
kuti Taurai aitsvaga kutsigirwa kuti asachengeta Monica.
Ozoti kana mwana oroorwa ozoti mudzimu wati roodza
mwana wako. Kana kuzodzoka mwana apedza chikoro, ozoti
kuti mwana agare pabasa zvakanaka ngaape baba mari yake
yemwedzi wese.

Page | 173
Kuda kudya neukopokopo asi kurera mwana asingade.
Aida kurererwa mwana wake nani? Mucha akaita hasha
akatarisa Tau achiwedzera kumushora kuti aitaura zvisina
maturo. Akazvibata chaizvo kuti asapindura kana kusimuka
Taurai asati apedza kutaura.
Taurai akaenderera mberi nenhoroondo; “Pakataurika
izvozvo, vanhu vese mumusha vakada kuziva chokwadi, so
vana vababamunini vangu vakandipa mari ndikazoita
Paternity Test kuno. Maresults aya.” Taurai akatambidza
Muchayemura hamvuropi yekuBSc Laboratories kwaakaenda
naMonica kundoongororwa ukama hwavo.
Muchayemura haana zvizhinji zvaakaverenga akangoona
pange pakanzi: Percentage of probability of paternity is 0%. The
alleged father is excluded as the biological father of the tested child.
Muchayemura akaita dzungu ndokutarisa mwana akange
akagara padivi paTaurai. Taurai akatarisa Mucha ndokuti;
“Saka nhai mai Monica……….. baba vaMonica ndiani?”
Mucha akaramba akanyarara. Mai Kuda vainakidzwa
nekupusa kwakange kwaita Muchayemura panyaya yese iyi.
Mucha akaita dzungu akatadza kupindura zvakange
zvabvunzwa. Mai Kuda vakabva vati; “Nekushungurudza
kwawaiita hanzvadzi yangu nekuda kwemwana iyeyu?
Nezvamaipomera mwana iyeyu kumba kwenyu muchiti
akatodza isusuka verudzi rwake. Imika mune mari dzacho
dzemaDNA, paternity njani njani, unganidza zvikomba zvako
uzive baba vaMonica. Vaunganidze vese unongedzere mwana
kuti baba vako avo.” Mai Kuda vakaridza chikwee
chekushora nekushatirwa.

Page | 174
Taurai akabata Monica ndokumugarisa pamakumbo ake,
ndokuti; “Momo mwanangu……….. inini handisi baba vak o.
Asi ndinokuda. Ndakakuda nekukuchengeta kubvira uri
nhumbu. Ndiwe wakakonzera kuti ini namai vako tiroorane
tigare tese. Asi amai vako vanofanira kukuudza kuti baba
vako chaivo ndiani.”
Monica akange anzwisisa zvimwe, asi zvimwe asinawo
akabva ati; “Ndimi baba vangu.” Mwana akange avhiringika.
Baba vaSharon vaiti anofanira kuenda kuna baba vake. Baba
vainzi vake vacho vave kuti havasivo. Saka chaimbonzi baba
chacho chiiko?
Mucha akabata mwana wake ruoko ndokungosimuka
ndokundokwira maCombi oenda kumba kwavo. Kana b hegi
rembataya rakange raenda naMonica akasiya. Kana
paaifonerwa achitsvagwa naRodney haana kudavira foni
yake. Akatozosvika kumba aidzima foni.
Mai Togara vakaona kuti mwana wavo aive nemashoko
makukutu, vakaramba vachimubvunza asi Mucha aingoseka
oombera maoko odzungudza. Pave paya akazoti; “Amai,
Monica mwana waRodney.”
Mai Togara vakaridza mhere yekutya, kuvhunduka
nekushamisika zvekuti vakadzipwa vakakosora chaizvo.
Vakadzadzarika vachienda kukicheni kwavo kundotsvaga
mvura yekunwa. Vakadzoka ndokugara pasi voterera nyaya
yese kubva kuna Mucha.
Muchayemura aifemedzeka femedzeka achitaura zvese
zvaakange ataurirwa naTaurai. Akabudisawo zvakange

Page | 175
zvawanikwa naTaurai kubva kuLaboratory. Vese vakange
votarisa Monica nemaziso akasiyana.
Vakabaya baya runhare rwavo vachifonera Rodney uyo
aive kuPharmacy kwake. Vakataurirana zvishoma Rodney
ndokuvataurira kuti akange atove munzira kusvika pamba
pavo. Pasina nguvawo akange ave pagedhe pavo. Akange
asingachafamba netsoka achienda pamai Togara kuhwanda
amai vake kana Cindy. Akange ofamba pachena achindoona
mudzimai wake nemwana wake.
Rodney akasvika ndokugara ndokuona Mucha asina
mufaro akaundunda sehuku yanaiwa. Monica paakangoona
Rodney achipinda akabva abuda asina kumukwazisa oenda
panze. Rodney haana kuita hanya nazvo, amai nambuya musi
uyu havana kutsiura mwana.
Sharon paakangonzwa inzwi rababa vake akabva auya
mumba mekutandarira okwazisa baba vake. Baba nemwana
vakambundikirana, ndokuongororana mavanga sevakange
vasina kumboona zvachose zuva iri asi baba ava vaitanga
kuzoona mwana wavo vasati vavhura bhizimisi ravo. Rodney
akabudisa machokoreti maviri muhomwe make ndokupa
Sharon.
Kuna Sharon, machokoreti aya imwe daddy vakange
vavigira Monica, asi kuna Mucha aiziva kuti ndiye amai
vacho vakange vavigirwa. Sharon akafamba zvishoma
nezvishoma akadengezera mutsipa wake ondotsvaga mwana
wamai vake…………. nababa?

Page | 176
Mai Togara vakangotora hamvuropi yakange yabva
kwaTaurai Madzivanyika ndokupa Rodney. Rodney
akaverenga ndokunzwisisa chaizvo.
Murume akatarisa Mucha ndokuti; “Not Taurai’s daughter
………..You mean that girl is my daughter?” Mucha
akagutsurira nemisodzi mumaziso.
“Aaaah? That Monica crazy kid is my own daughter?”
Rodney akadzokorora zvakare.
Mai Togara vakabva vati; “Ingoendai kuLab mundoitawo
paternity test yenyu. Mubva matanga zvitsva.”
“It’s fine amai, we will do that. But I know kuti kana asiri
mwana waTau ndewangu. I am just shocked kuti ndozvazviri.
She is so different from Sharon……… we are not the best of
friends……….. She is like…….. like my mother hard, cold and
bitter. Sorry my little girl.”
“Vari kupi vasikana ava, vadaidzei tivaudze vari vese.”
Rodney akapedzisa achidaro.
Mai Togara vakarambirana nazvo; “Aiwa baba Sharon.
Imimi tangai maenda kuLab. Now tese tichiri kushamisika
nemiwo munoda nguva yekuzvigamuchira kuti ndozviripo.”
Mucha akabva ati; “Amai vari right. Inini newe tingaziva
vana vedu asi wese waunoudza anoda proof. Ngatizviitei
iyezvino zvipfuure.”
“Ok I will make a booking and let you know.” Rodney
akabuda asina kuoneka pasina amuperekedza.
Pazuva rakatevera, vakasangana zvakare kuLab uko
Rodney naMonica vakandoongororwa hukama hwavo.

Page | 177
Zvekutaura nekuita mumusha maDenhere zvakange
zvawanda. Rodney aigadzirira kuroora nekuchata namai
vemwana wake. Uyezve aigadzirira kugamuchira Monica
mumusha. Uye akange achizivana nehama dzake
vekwaTakawira.
Mushure mevhiki, Mapepa ekuLab akabuda achiti:
The Probability of paternity is 99.999%. The alleged father is not
excluded as the biological father of the tested child.
Monica aive mwana wamai nababa vaSharon. Monica aive
mwana waRodney Denhere.
Veukama vakafara zvese nekushamisika. Mbuya
vevazukuru vakange vadzikama chaizvo. Monica akaona kuti
akange achidiwa nekuitirwa zvakati wandei kumba kwavo
kwaDenhere.
Kutaura navatete vake Sophie kwakamubatsira. Vatete ava
vaiziva zvaaifunga. Vaimubvunza zvaakange asingakwanise
kutsanangurira mumwe munhu asi ivo vega.
Vaimutsanangurira zvaainzwisisa.
Vatete vakamuudza kuti vakuru vanonyepa nekuti
vanotya, uye vanonyepa kuti vasarwadzisana, uye vanhu
vakuru vanonyepawo nekusaziva. Iye aifanira kuvaregerera
nekuvada zvakadaro.
Vatete vakamudzidzisa kuda ambuya vake mai vababa
vake. Ivowo ambuya vacho vaiedza napose pavaigona
kumuratidza rudo nekumupa chese chaaida, zvaaikumbira
nezvaaisakumbira.
Sharon akange agara ari mwana wamai vake, mukoma
wake aimuda zvikuru. Pakuzogara vese vave kuenda

Page | 178
kuchikoro chimwe chete nekupfeka zvakafanana,
nekuverengerwa nyaya nadaddy vave kurara, Monica
akatanga kuona kuti Sharon aisavhaira, asi aimuda chaizvo.
Monica akabatsirwa navatete Sophie kutaura kuna baba
vake, amai vake naSharon achikumbira ruregerero pakucheka
kwaakaita mbatya dzaSharon. Akaona kuti daddy vaSharon
vaimudawo, vakange vasiri munhu akaipa sezvaaifunga.
Rodney akange abatanawo zvakanyanya nemhuri
yekwaTakawira. Vese vaimuda nekumutsigira pane zvaaiita.
Rukudzo rwaakange achipa kuna Muvhangeri zvese sababa
namuvhangei wake zvakaita kuti vashande vese pasina
aitsutsumwa. Rodney akagona kudzikamisa amai vake
pakutya kwavo kutorerwa zai ravo regondo.
Ivo mai Roddie, pakubvisa nyadzi dzavo dzezvakange
zvamboitika kare, vakange vane rudo rwakapetwa kum huri
yekwaTogara. Uye havana kuda kupindira paukama
hwaRoddie navaTakawira. Pavaiona pasingavafadzi,
vaindotaurira hanzvadzi yavo uyo aidzoredzera Roddie
nekumutsiura kuti arangarire zvido zvamai vake.
Mushure memwedzi miviri Rodney akandoroora
kwaTogara, mhuri dzese dzakafara chaizvo. Mai Roddie
vakabva varonga muchato wavakange varota kwemakore ese
pavairera mwanakomana wavo. Zvavaida zvese zvaiitwa, uye
mai Togara vaibvuma zvese nekutenda ruzivo rwamai Roddie
pane zvavaishanda vese.
Mai Togara vaivarairwa vodaidza mai Roddie kuti vakoma
vangu, mai Roddie zvaivanakidza kuti munin’ina wangu
kubvira mai vaMuchayemura.

Page | 179
Kana musi wemuchato, vaviri ava vaive nemasvutu avo
matatu avakachinja zuva rese vachifamba vese semapatya.
Vaifara vaipembera vaigutsikana nekutenda rudo rwevana
vavo.
Mucha akaramba kubuda mumba mavamwene vake
kuAvondale, vakagara vese mumba mumwe chete. Mai
Roddie vakarega muroora wavo achiita amai mumba umu,
ivo vaiita zvevazukuru vavo nemabhizimisi avo. Kunyange
Mucha paakandoitawo kosi yekuve Dispensary Assistant,
achizoshanda naRodney muParmacy mavo, mbuya vakave
mureri wevazukuru vavo.
Muchayemura akapedza kosi ndokumbogara kumba
amirira kusununguka mwana wavo wechitatu. Akauya ari
mukomana, Rodney Junior, akange akafanana nababa vake.
Vasikana, Sharon naMonica vaifarira hanzvadzi yavo, mwana
wamai vavo ………. nababa.

Page | 180

You might also like