You are on page 1of 2

Mweya Mutsvene

mweya mutsvene waMwari baba


gara muno gara muno mumba
Hoooo burukaiwo
Buruka zvino nesimba
Nesimba huya mweya
Huya mweya mutsvene

Takaumirira huya mweya


Huya mweya ufanane
Ishe wangu kupenya
Kupenya kwezuva
Ishe wangu vhenekera
Vhenekera moyo yedu
Mwari wangu wonisa
wonisa kuipa

Kuipa chokwadi wonisaiwo 


Wonisa rushava shava
nezvirwere 
nezvirwere zvose
Ishe wangu titunga-
Titungamire panzira
Baba panoyenda
panoyenda vatsvene

Vatsvene vekudenga vakawana


Vakawana musha wavo
Musha we musha wekugara
Ishe wangu wakawana nehutsvene
Ishe Usina kuipa

Ndivo vakawona pakudenga


Pakudenga kuna baba
Kwakanaka kwakanaka kwazvo
Ishe wangu pakudenga
Pakudenga kuna baba 
Ishe wangu
Kwakafara kwazvo

Ndati hoo hakupinde


Hakupinde chakaipa 
Ishe wangu kana chiri
Kana chiri chimwe
Hakupinde
Hakupinde chokuvhara
Ishe kana chiri
Kana chiri chimwe

Takamirira  mweya mutsvene


Mweya mutsvene wababa
Ishe wangu tarasika
Tarasika isu
Chiuya mweya
chuiya mweya wehutsvene 
Ishe ita basa
Ita basa rako

Takaumirira  huya senjiva


Huya senjiva yedenga
Ishe wangu mutibvumba
Mutibvumbamire
namapapiro
Namapapiro erudo
 Erudo neruregerero

Chokwadi
Huya serimi 
Huya serimi remoto
Pisa moyo yedu
Kuti vazviteurire
teurire kuna Ishe wedu

Ndakumbira baba
huyai serimi
Huya serimi remoto
Pisa moyo yedu 
kuti vazviteurire
Teurire kuna Ishe wedu

Hama ndati
ndomutevera ndomutevera
Ishe Ndomutevera Jesu

Ndomukudza wedenga hallelujah


Hallelujah hallelujah wedenga
Hallelujah hallelujah Jerusarima raMambo

You might also like