You are on page 1of 176

Page | i

MUNYARADZI

By

FAITH CHIWARA

a.k.a

Lovely Rutendo Nzira

Page | ii
MUNYARADZI
Copyright © Faith Chiwara/2018

ALL RIGHTS RESERVED

Faith Chiwara asserts the moral right to be identified as the author


of this work. NO part of this publication may be reproduced, stored
in a retrieval system, or transmitted by any means without prior
written permission of the author. Any abuse or unlawful sharing of
this book will lead to prosecution.

Cover Design by Pearl Press Media


www.pearlpressmedia.co.zw

Interior Page layout by: Mr Blessy [Editor]

Page | iii
ACKNOWLEDGEMENTS
I would like to extend my sincere gratitude to God the
Almighty for the voice of wisdom and knowledge in the
writing of this book. If not for His anointing, nothing would
be as powerful and life changing as it is.
I would like to extend my sincere gratitude to God the
Almighty for the voice of wisdom and knowledge in the
writing of this book. If not for His anointing, nothing would
be as powerful and life changing as it is.
My family the Chiwara – Panganai, where I was born and
brought up. Am grateful for their love and support over the
years.
My mentors, Apostle Augustine & Pastor Mrs Audrey
Mutanga and Pastor Tichaona Striker & Pastor Mrs Isabel
Machuwaire, for helping me to explain the word of God and
make sense out of it in secular writings. I appreciate the
grooming, teaching, and criticism and the rebuke that they are
putting so much work and prayers into, to shape and sustain
the brand Lovely Rue /Auntie Rue / Sis Rue …. Only God can
reward such work.
My sister and friend who did the Social Network
groundwork, Sheila Chimuzinga Charamba. Thank you very
much.
A special acknowledgement goes to my daughters, Rumbie
and Tracey for the brainstorming and helping with creativity

Page | iv
as much as they can. Their unwavering support over time is
well appreciated.
I also want to thank Mr Blessy for typesetting this book
and Mr Munyaradzi Soka for the cover design.
Many thanks too, to online writers for the support that
they have given me to make my writings a success.
A special appreciation to my Facebook and WhatsApp
Fans, affectionately known as “the free editors.” Our association
has made me grow with every copy written. Keep it up.

Page | v
CONTENTS
Acknowledgements ......................................................................................... iv

CHITSAUKO 01 ....................................................................................................1

CHITSAUKO 02 ................................................................................................. 13

CHITSAUKO 03 ................................................................................................. 21

CHITSAUKO 05 ................................................................................................. 46

CHITSAUKO 06 ................................................................................................. 56

CHITSAUKO 07 ................................................................................................. 67

CHITSAUKO 08 ................................................................................................. 75

CHITSAUKO 09 ................................................................................................. 85

CHITSAUKO 10 ................................................................................................. 96

CHITSAUKO 11 .............................................................................................. 107

CHITSAUKO 12 .............................................................................................. 118

CHITSAUKO 13 .............................................................................................. 128

CHITSAUKO 14 .............................................................................................. 139

CHITSAUKO 15 .............................................................................................. 149

JESUS MY HEALER....................................................................................... 162

Page | vi
TO HEAL THE BROKEN HEARTED ............................................. 162

TO PROCLAIM LIBERTY TO THE CAPTIVES........................... 164

TO RECOVER SIGHT TO THE BLIND.......................................... 166

TO DELIVER THOSE WHO ARE CRUSHED. ............................. 167

LET’S MOVE ON, LET IT GO............................................................ 169

Page | vii
CHITSAUKO 01

Mai Poga vakaramba vakagara vakatandavara muberere


reimba yavo. Mwanasikana wavo Tendai akange achichema
ari padivi pavo. Baba vemusha vaPoga nehanzvadzi yaTendai
nemudzimai wayo baba namai vaMasimba vakange
vakagarawo mumumvuri umu weimba yavo yekubikira. Uku
kwaive kuraini rekwaChirove rakatenderedza mishoni
yeBondolfi kuMasvingo.
Baba vavo vaPoga, vakambokwenya musoro ndokuti;
“Unofanira kudzokera kumurume wena mai Zivanai. Kana
murume asina kukudzinga hapana zvatingaite. Hapana
gupuro raakupa saka toita sei? Matukano mumba haaperi.
Iwe uregere zvekuti pese pamunorwa wotomhanya
uchidzoka kuno. Zvinonyadzisa.”
Tendai akadzungudza musoro ndokuti; “Ndaneta ini baba,
kurohwa zuva nezuva here?” Misodzi yeshungu yakaerera
nematama ake.
“Zvino todii? Watove nesvondo rese uri pano, haasi
kutevera, uchawana pamba pako pave nemumwe mukadzi.”
Amai Poga, mai vaTendai vakadaro vachigarisa muzukuru
wavo Chido, aive nemakore maviri pamakumbo avo
zvakanaka. Ndiye aive mwana waTendai uyu aingunochema
kuvabereki vake nenhau yekushungurudzwa nemurume.
Hanzvadzi yaTendai, baba vaMasimba vakabva vati;
“Ndakamuona iye Zivanai murume wako kudoro uko

Page | 1
madeko. Aitoti wakatiza wega unodzoka riini. Uye semunhu
anoenda kubasa kuCollege uko kuda anenge akabatikana,
haana nguva yekutevera. Tadii kuti mai Kurauone
vakuperekedze vandonzwa nhuna dzemukwasha. Kuda
angajekesa kuti chii chinokonzera bongozozo mumba menyu ,
vana mai vakazokubatsirawo. VaKurauone ndivo vakaita
munyai wenyu, mai Kurauone vanonyarwa nemunhu wese
muno mumusha. Vanoziva zvekundotaura naye.”
Vese vakambonyarara, amai ndokutarisa muroora wavo
mai Masimba ndokuti; “Chiendai mundodaidza tete mai
Kurauone. Modzoka nekumunda muchitora nyimo tizobika.”
Mai Masimba vakasimuka ndokuswededza mwana wavo
akange ave nemakore mashanu kuna mbuya vake ndok utora
dhishi replastic ndokubuda voenda kwavakange vatumwa.
Tendai akatarisa vabereki vake nehanzvadzi yake
ndokumboruma ruma muromo ndokuti; “Handidi ini
kudzokera kuna baba vaChido. Imba yacho yandirwadza ini.”
Vese vakati “Aaaaaah!” vakamutarisa.
Baba vaMasimba ndokuti; “sisi Petty vakasiyazve murum e
kuMashava kwavakange vakaroorwa uko. Vakagara pano
makore matatu ese tichisekwa mumadoro umu kunzi m vana
yakatadza kuchengeta imba. Iwe wodaro futi? Chii nemi
vasikana vepano?”
Vabereki vese vakagutsurira, baba vaMasimba
vakaenderera; “Imba inoshingirirwa, inga ini namai Masim b a
tinongorwa tichigadzirisana wani. Zvako zvasiyanei?”

Page | 2
Tendai akarega misodzi ichiyerera ndokuti; “Imi mukoma
hamurove mukadzi wenyu. Munotaurirana. Ini nababa
vaChido hapana kutaurirana anongondirova.”
“Zvambozonyanyodii? Asi pane zvimwe zviri kuitika
zvausiri kutaura?” Hanzvadzikomana yakabvunza zvakare.
Tendai akambofunga ndokuti; “Mari yatakatanga nayo
kuita business remaBroilers yakabva kuna sisi Petty. Asi haadi
kuti zvitaurwe.”
Mai Poga vakabva vati; “Inga muri kugona bhizinesi wani.
Kana maticha ese ekuKoreji nevekuPuraimari vanotenga
kwamuri wani? Nemota yatinongonzwa kuti akatenga
mwedzi wapera uyu, kunyange tisina kuiona hedu.”
Tendai akabva ati; “Ini ndinongochengeta huku, asi mari
yacho hapana kana cent randinowana. Vamwene
vakambonditi nditore imwe mari ndinotenga mbatya dzangu
nedzemwana. Ndakarohwa chaizvo akapisa zvese
zvandakange ndatenga. Ivo vamwene kunyange
vakamupopotera hapana chakachinja.”
Mumba makambonyararwa, Tendai ndokuzoti; “kubva
paakaita mari yehuku idzodzi akatenga mota iya…… ave
kupfimba maticha mastudents epaCollege paanoshanda.
Zvekuti ndiCaretaker paCollege havanei nazvo nekuti ane
mari nemota. Asi mota yacho inogara yakangofa saka
ndokunoperera mari yese yandinoshanda pahuku
nemugarden. Chete kuti tinobika nambuya vaChido, dai
ndaibika ndega ndaitorara nenzara.”
Baba vaPoga vakadzungudza vachirwadziwa moyo
vakashaya zvekureva. Mukuru akabwaira bwaira misodzi

Page | 3
yemwanasikana wake ichisvika pamwoyo pake. Vaida kuti
mwanasikana wavo afarewo muupenyu hwake. Asi maziso
nemiromo zvenyika zvaivatonga kuti mwanasikana aifanira
kufarira kwaakaroorwa, mumba memurume akamuroora,
kwete pamusha pavo. Kana aifara ari pamusha pavo, aizove
pfambi, vaizoshaya kukudzwa sezvo vakarera pfambi
yakadzoswa kumurume.
Tendai akaona kuti ave kutererwa ndokuti; “Mamwe
mazuva anouya nevasikana vake mumba chaimo. Anovaudza
kuti ndiri musikana webasa wamai vake. Ndikaita nharo
anondirova netambo yemagetsi. Saka pandinoona kuti auya
nemumwe mukadzi ndinongotevedzera zvaanenge achitaura,
ndobuda ndonorara mukicheni.”
Mai Poga vakabata muromo ndokuti; “Saka apa chii
chaakakurovera? Zvamunenge mune kumwe kunzwisisana
kwenyu kunotokupa rugare?”
Amai vakaenderea zvakare; “Paye wakangorasawo
mukana wekuenda kuDhiriya (Driefontein Mission) kundoita
nesi. Ndopawakaita nhumbu yaChido uyu. Nhasi tingadai
tichitaura zvimwe.”
Tendai akambokwiridzira madzihwa nekupukuta misodzi
ndokuti; “akandirova nekuti ndakamuti ngatichisiyanisa
business mumwe nemumwe aite huku dzake. Akati ndoda
kumutonga akandirova.”
Vabereki vasati vapindura, mai Kurauone vakapinda
muchivanze vachihukurwa neimbwa. Baba vaMasimba
vakasimuka ndokudzinga imbwa iya vachichingamidza

Page | 4
mudzimai mukuru wemumusha umu. Vakakwazisana, mai
Kurauone ndokugara padivi pamai Poga.
VaPoga vakapira vatete vavo nyaya yemukunda wavo
Tendai, vakabvumirana kuti vaizomuperekedza zuva rodoka
musi uyu. Vakuru vakataurirana vega Tendai akangonyarara.
Mwanasikana wake Chido akange oridza ngonono akagara
pamakumbo ambuya vake. Akange akaisa kagunwe
mukanwa, musoro pachipfuva chambuya. Dai paine aiona
zvaive mupfungwa nemumwoyo memwana uyu, angadai
akaona kuremerwa achiona uye kunzwisisa misodzi yamai
vake.
Manheru emusi uyu, mai Kurauone naTendai vakange
vagara mumba mekubikira mambuya Zivanai, vamwene
vaTendai. Vese vaive vasina mufaro, vaitaurirana nemanzwi
aive pasi, vakange vasina zvakawanda zvekutaurirana.
Pasina nguva motikari yaiita ruzha rwaivhara nzeve uye
kubudisa chiutsi chaikosodza yakabva yamira mumadziro
emumba maive namadzimai aya. Baba vaChido, Jacob
Zivanai akabva apinda. Akatanga kusanganisana maziso
nemwanasikana wake, uyo akangoti “papa” achizembera
amai vake, haana kana kumhanyira baba vake.
Vakakwazisana vese, murume ndokuti; “Mazofungawo
kudzoka nhai vana Chido?” Mai vaChido havana
zvavakataura, vakangonyarara, mai Kurauone ndokuti;
“Takaona mai Chido vauya kumba vane mavanga,
ndozvandati ndizonzwisisa kuti chii chakaitika tibatsirane
kugadzirisa.”

Page | 5
“Mwana wenyu anoda mari sepfambi. Munhu anganditi
inini ndimupe mari yangu yese yekubasa kwangu kuCollege
uko? Uyezve yese yebusiness rehuku. Pese patinotengesa
huku pano ibongozozo.” Jacob akadaro.
Vatete ndokuti; “Ndozvandamuperekedza kuzokumbira
ruregerero. Akakanganisa.”
Jacob akaramba akasunga huma ndokuti; “Bvunzai amai
ava, nhai mbuya vaChido, ndakambodzinga munhu here ini?
Handiti kuda kundiita munhu akaipa even kubasa uko? Kana
vana Fata nanaSister vakanzwa kuti ndatizwa nemukadzi
handiti basa rinotopera? Ndozvaanoda Tendai. Kundiparadza
ndisare ndisina chandinacho.”
Vatete mai Kurauone vakabva vati; “Ruregerero chokwadi
babamudiki. Ndakataura naye mai Chido haachazviita. Imi
isai mitemo anoteera zvese.”
“Aregererwa. Zvekutaura zvinonetsa izvi.” Jacob akadaro.
Vatete vakabva vati; “Asi ndange ndichikumbirawo kuti
nyaya dzenyu mutaurirane nemuromo. Honai kukutyai
kunoita mwana wenyu. Kugarorovana mwana mudiki akadai
achiona hakuna kunaka.”
Jacob akatsikitsira achiseka zvekushora mashoko avatete
ndokuti; “Kana mapedza zvamafambira ndokwanisa
kukuperekedzai nemota ndinokusiyai kumba kwenyu. Mai
Chido chitanga kubika amai vanorwara ava. Svondo rese
vachingoita basa vega, utsinye hwaTendai hwakaoma. Kusiya
amai vangu vega so.”

Page | 6
Hapana akapindura, mai Kurauone vakaoneka mbuya
vaChido ndokubuda voenda kwavo vachiperekedzwa
naJacob Zivanai.
Vamwene nemuroora vakasara vakambonyarara.
Vamwene ndokuzoti; “Nhai mai Chido mwanangu, haujaire
murume wako mukangogara murugare here?”
Tendai akabwaira bwaira asi haana zvaakapindura.
Vamwene vakaenderera; “Tarisa kuonda kwawaita,
handiti unoita seunorwara iko kuri kusadya uye kungogara
uchichema? Usadaro wena. Unoti iye Jakopo anoramba ane
humhengeramumba ihwohwu kusvika riniko?”
Tendai akatarisa vamwene vake ndokuramba akanyarara.
Akaedza kutaura ndokungohutisa miromo misodzi
ndokuyerera nematama ake. Akamboita nguva achichema
ndokuzoti; “Amai Jacob haandide uyo. Imimi ndimi
munoziva zvese, ndiri kungomumanikidza kugara naye.”
“Aiwa aiwa muroora wangu, murume wako anokuda. Ini
ndinogara ndichimuudza kuti iwewe haubve pano.” Amai
vakadaro.
Tendai ndokuti; “Anoziva kuti inini nemi tinogara
zvakanaka uye haangawane musikana webasa wemahara seni
pano. Amai ndaremerwa ini.”
Mbuya vaChido vaiziva nekunzwisisa kurwadziwa
kwemuroora wavo. Mwana wavo akange asingavaremekedzi
kana kuvaterera. Musha wavaigara vakange vasiirwa nababa
vaJacob apo vakafa. Vaishanda kuMishoni, vana Fata
vakazotorawo Jacob apo akatadza kubudirira muzvidzidzo
zvake zveO’ Level. Sezvaakange achiri mudiki, vaitarisira kuti

Page | 7
achanyora zvakare agopasa, agopindawo pakudzidzira kuve
mudzidzisi paCollege apa asi Jacob haana kudaro.
Jacob akazoroora ari pamusha apa ndokuramba
vachingogara naamai vavo. Vamwene vaiedza chose kutsiura
mwana wavo kuti achengete mukadzi uye agare naye
zvakanaka, asi Jacob aisavanzwa. Aive nemari yekupa vamwe
vakadzi vese asi amai vemwana wake nemwana wake akange
asina. Vakange votokumurira muroora chekupfeka kuti
awane chekupfeka achienda kune vamwe, kana kuBaby Clinic
nemwana.
Sezvo akange asina muchato, aisakwanisa kupfeka
yunifomu yeNzanga yemadzimai ambuya Anna. Saka
vakange vakwanisa kuti muroora asonerwewo dhirezi,
vachishandisa micheka yemazambiya echechi yavo yeRoma
kuti awane chekuenda akapfekawo musi weSvondo.
Vakange vakumbira vasikana vaisona paMishoni apa kuti
vavatengesere mucheka nekusona zvese nechikwereti.
Ndokuzopa dhirezi riya kuna SisterAnna-Mary vaitungamira
madzimai, uye vachishandawo kuCollege naJacob.
Ndokunyara kwakaita Jacob akatora nekubhadhara dhirezi iri
nematomy ebrown.
Dai zvisizvo Tendai aiita seachamonera mbatya
dzavamwene vake size 44 kuti akwane pakamuviri kake
kaipfeka size 28 – 30. Akange akaonda uye ganda
rakaomarara nenhamo yepfungwa, uye kutoshaya
zvikwanisiro zvesipo nemafuta anonakisa ganda
remunhukadzi.

Page | 8
Tendai aitozoti nekudya kwaimunetsa, semunhu aigara
achichema nekushungurudzika. Kufunga uye kusarara,
kudya kwaisadzika huro zvakanaka. Uye aisadya zvinoenda
kure.
Vamwene vakatarisa amai vemuzukuru wavo ndokuti;
“Mai Chido, une makore 27 asi hona wotoenzana neni ndine
50. Kusakara kudaro mwanangu? Dzidza kuregerera murume
wako usiyane nezvakaipa zvake urarame upenyu hwako
hwega. Ukada zvekumuchinja haumugoni. Unoti inini
ndinonzwa sei kana uchirarama zvakadai iwe
uchindichengeta?”
Tendai akaramba akanyarara asingade kupikisana
nambuya vemwana wake, aivaremekedza chose. Tendai
akavesa moto ndokugadza gaba remvura ndokuenda kumba
hombe kwaive nedzimba dzekurara. Akawana magumbeze
achiita seakange achitamba mbakumba pamubhedha, mamwe
ari pasi.
Mbatya dzaive muwadhiropu dzakaita gumbo mukati
gumbo panze, kunge dzaitoredzera maitiro emuridzi wadzo.
Tendai akamboshaya pekubata. Zuva rakange rodoka,
mumba umu, pamubhedha uyu ndopaaifanira kuzorara
nababa vemwana wake saka aifanira kuparongedza.
Tendai akazunza zunza magumbeze ndokubva
pamubhedha padonha twumapepa twakasiyana siyana.
Mukadzi akatarisa pfungwa dzake dzichijekerwa nezvakasara
zvichiita baba vemwana mumba umu. Musuwo wakavhurwa
Jacob ndokumira akatarisa zvaive mumaoko aTendai.

Page | 9
“Unotarisa maCondom sewakatarisa nyoka sei? Saka
unofunga kuti ukabva pano ndosara ndichiwana AIDS?
Stupid. Ndinochengeta utano hwangu inini.” Jacob akadaro
akafinyama.
Mukadzi haana kupindura, murume ndokuramba
achitaura ega. “Asi une zvivindi wena. Kutombobva zvako
pamba pawakaroorwa? Nekuwanda kwakaita vakadzi
kuCollege uko iwe wotoita zvekumbosiya murume
uchindopedza vhiki yese kumba kwenyu? Ukabva pano
iwewe unoroorwa nani imo munyika mune vakadzi vakanaka
kwete iwewe unenge puranga risingaonekwi mberi kana
shure.”
Tendai akatsikitsira ndokuti; “Ko munodii kungotaurira
vabereki vangu kuti hamuchada nezvangu mutore vane shure
kwakakura vacho. Ini murwere munondidii?” Tendai akadaro
achidzipwa neshungu nehasha.
Pasi pemwoyo wake akange asingachada murume uyu.
Asi mutemo wekumusha kwake wakange wamudzosa
kumurume. Akafunga musi waakange adanana nababa
vaChido ava akafunga kuti dai musi uyu waidzokerwa aiita
wekupisa kuti kudanana kwavo kushaikwe zvachose.
“Mudhara wako iwewe haazive rough yako. Nezvauri
izvozvi iwewe Tendai, anoda kurara newe ndiani? Kuonda
kunge imbwa ine gwembe so, anokupfimba ndiani kana
ukabva pano iwewe? Dai watogara pano ndini ndakatokupa
dignity yekuve mukadzi wemunhu. Chete mukoma wako
Petty anopota achikuudza zvekupenga zvechihure zvaakaita
kuramba murume.”

Page | 10
“Pawakandiroora ndakange ndakanaka wani. Ndaigadzira
musoro and ndakange ndakasimba.” Tendai akadaro.
“Zvikazodii? Hapana chikafu pano?” Jacob akadaro
nehasha.
“Haundipe mari yekutengawo zvandinoda. Hembe
chaidzo ndinoshaya chekupfeka chakanakawo. Kuita sei
ikoko? Chinondionza ipfungwa neEmotional and Verbal
abuse yaunondiita.” Tendai akadaro misodzi yazara
mumaziso.
“Saka unochemera kundotenga madhirezi unoda kupfeka
uchiendepi? Unoda kuonekwa nani iwe uri mukadzi
wemunhu?” Jacob akadaro inzwi rakwira.
Tendai akasimudza chiso ave kutya kurohwa, aiziva kuti
kana inzwi rakwira nhaurirano yaizopera nembama
nezvibhakera.
“Saka ndizvozvo.” Tendai akakandira makondomu aye
akange akashandiswa neasina pasi ndokusunda mubhedha
otsvaira pasi pawo. Akatora magumbeze nezvimwe
zvekuwaridza zvange zvakachena oisa panhovo yewanano
yake chinyararire ndokubuda achisiya murume ega mumba
umu. Zuva rakabva ranyura.
“Ko mota yasarepi?” mbuya vaChido vakabvunza vaona
mwana wavo adzoka netsoka atevera mumba maibikwa
nemudzimai wake.
“Yaramba kukwira makata epakona apa. Ndatozobatsirwa
kusunda nevakomana vepaMukanga. Ndasiya muchivanze
chavo.” Jacob akadaro asina mufaro.

Page | 11
“Saka motoda imwe marizve kuigadzirisa? Mota iyi yave
kunge chikwambo. Yave kuwedzera nhamo yako baba
vaChido mwanangu.” Mbuya vaChido vakadaro.
“Amai nhai, makamboita mota muupenyu hwenyu here
mungandiudza nezvemota?” Jacob akadaro zvakare asingade
zvakange zvave kutaurwa namai vake.
Muchembere vakabva vanyarara ndokusimuka
vobatsirana nemuroora wavo kupakura sadza. Vakadya
muchinyararire. Mbuya ndivo vainzikwa kuseka seka,
nekutaura pano neapo vachipa muzukuru wavo sadza.

Page | 12
CHITSAUKO 02

Mazuva akafamba, mumba maTendai naJacob maive


nakitsi nagonzo zuva nezuva. Aive mazvake mazvake.
Mukadzi akange ongotarisa sezvaakange arairwa nevamwe
madzimai echikuru. Ainyarara zvaimurwadza zvese.
Kufamba kwemurume wake kwaisamufadza, ainyarara
shamwari dzechikadzi dzaiuya pamba pavo dzichitandara
nemurume wake, iye achinzi ihama yakashanya kana kuti
mushandi.
Ainyarara shamwarikadzi idzi vachipiwa huku nemuriwo
wemubindu rake zvaaishanda. Tendai akange atindivara
moyo nekurwadziwa nezvaiitika mumba make. Kunyarara
kwaakange aita kwakaita kuti atowedzera kuonda uye
aratidze kurwara zvakanyanya.
Nemumwe musi, uri musi weChishanu Jacob akasvika
pamba pake ndokubvisa hovhorosi yaaipfeka achishanda
mumaruva netsangadzi zvekuCollege. Akageza ndokupfeka
mbatya dzake itsva dzaakange achangotenga kudhorobha
reMasvingo. Motikari yakange yagadzirwa uye yofamba
zvakanaka isingachakosori nekunyangadza mhepo nehutsi
hutema hwaikachidza vese muraini. Zvakange zvave nane.
Tendai akatarisa baba vemwana wake vachibwinya
sekakomana kadiki. Iye akazvishora kuti inga angove
ruchembere, zera rimwe chete naamai vemurume uyu.
Akange akanyangara kumeso kuchiita mapundu ekusazora
Page | 13
mafuta zvakanaka uye ganda range raomarara nekuswera
muzuva achishanda mubindu remuriwo.
Jacob akatora mari yese yakange yatengwa huku nemiriwo
ndokuisa muhomwe make ndokubuda oenda nemotikari
yake.
Vamwene nemuroora vakatarisana vese vachiziva
zvakange zvaitika asi hapana akada kutandavadza nyaya iyi,
yaivarwadza vese. Mai Chido vairwadziwa nekutsvinyirwa
nemurume, uye kusapiwa nzvimbo yavo saamai vemusha.
Mbuya vaChido vaiona hurombe hwemwana wavo.
Kuchema nekurwadziwa kwemuroora wavo raive
dambudziko remwoyo wavo. Pasi pasi pemwoyo wavo
vaifunga kuti dai Tendai akange ari mwanasikana wavo,
vangadai vakamutora kare kare.
Vaiedza zvese zvavaikwanisa kutsiura mwanakomana
wavo pamusoro pekusachengeta mudzimai nemwana wake
zvakanaka, asi aive huudzebwe. Aisavaterera. Mwanakomana
wavo uyu akange ovachenamira sezvo aivachengetawo.
Musi weChishanu uyu, vamwene nemuroora vakabika
vakadya Jacob asipo. Kazhinji musi weChishanu aienda
kuMasvingo odzoka mambakwedza. Mushure mekudya,
vakabva vaenda kundorara.
Tendai akapepuka achirohwa rohwa makumbo uye
kuteiwa nechiedza cheTorch chakamutadzisa kuvhura maziso
sezvo chakaiswa kumeso kwake zvakanyanya.
Akambobwaira bwaira achinzvengesa uso
ndokuzokwanisa kuvhura maziso otarisana nababa vaChido.

Page | 14
“Ko muri kundimutsireiko?” Tendai akadaro achifukidza
mwana akange akarara padivi pake gumbeze.
“Enda nemwana undorara kukitchen uko.” Jacob akadaro.
“Aaaaah futi here?” Tendai akadaro
asinganyanyoshamisika. Wakange usiri musi wekutanga kuti
zvakadai zviitike mumba mavo.
“Kurumidza panze pari kutonhora. Gadzira bed rangu riite
smart ubude muno.” Jacob akadaro achikweva tambo
yemagetsi kubva pasi pemubhedha.
Tendai akasvetuka ndokugadzira mubhedha ndokubuda
oenda kumba yekubikira. Akandodongorera nepamusuo ari
murima ndokuona Jacob achienda kumotikari yake
ndokundobuda nemukadzi waakapinda naye mumba mavo
mekurara.
Vakavhara musuo, pasina nguva mwenje wakadzimwa.
Rima rakange rati tsvete musha wese, raini rese, nyika yese.
Asi rima rakatibikira mwoyo waTendai panguva iyi
raichekeka nebanga. Maziso ake akayeredza misodzi yaipisa
zvekuti akafunga kuti matama ake aizoita makoronga
eshungu, nepaipfuura nemisodzi yake.
Akagara murima umu kweawa yese akabata mwana
akange akarara mumaoko, misodzi ichiyerera. Kumba
kwavabereki vake kwaive hafu yekiromita. Akafunga kuenda
asi akazvidzora, matongerwe aiitwa nyaya idzi kana kwaedza
aizonyanya kumurwadza. Aiziva kuti aizokumbirazve
ruregerero kumurume amuitira zvakadai nekuti hapana
aizobvuma zvaita murume uyu pakati peusiku kudai.
Vaizotonga zvavaona kwaedza. Pakubuda kwezuva vaizoona

Page | 15
mukadzi afamba nemwana mudiki usiku, pasina amurova,
pasina amutandanisa, saka ndiye aizobatwa nemhosva.
Zvakamubaya moyo.
Akasimudza mwana ndokuenda kuimba yairara vamwene
vake. Akazeza kundogogodza pamusuo nekuti Jacob
aizozvinzwa. Akaenda kuhwindo ravo raive seri kweimba
ndokundogogodza zvinyoro nyoro. Mbuya vaChido
vakavhunduka ndokumboita nguva vakaterera. Vakazonzwa
inzwi raamai vemuzukuru wavo ndokuvhurawo musuo.
“Amai ndauya kuzorara nemi.” Tendai akadaro
achifemuruka hana ichirova zvakanyanya nekurwadziwa
nezvaive muwanano yake.
“Ko zvaita sei? Marwa here?” mbuya vakadaro
vachivhiringika.
“Jacob auya nemumwe mukadzi wake. Vatorara
pamubhedha wangu. Ati ndibude.” Tendai akadaro, misodzi
ndokuyerera.
“Wati kudii? Auya naniko? Kupiko?” amai vakabvunza
vachishamisikawo zvakanyanya. Tendai akangogutsurira.
Vese vakambonyarara, Tendai ndokuzoti; “Nhasi ndiwo
musi wechitatu zvichiitika. Ndaisingorara mukitchen. Nhasi
ndatadza nekuti mati huku iya iri kurarira mazai iraremo.”
Mbuya vaChido vakadikitira ndokuti; “Musi uya
wawakati wange uchitonhorwa une magumbeze mukicheni
wakange wararamo?” Tendai akagutsurira vamwene ndokuti
zvakare; “Nekuti Yakopo akange auya nehure mumba
mako?” Tendai akagutsurira zvakare.

Page | 16
Mbuya vakasimuka vachidzungudza ndokumonera
zambiya ravo. Vakatora rambi reparafini ndokundogogodza
mumba maive naJacob mwanakomana wavo nemuenzi wake.
Baba VaChido vakavhura musuo nehasha nekuti vaifunga
kuti ndiTendai. Amai nemwana vakatarisana mai
ndokusaidzira mwana vachipinda mumba ndokusvika
vachidhonza magumbeze pakange pakarara mudzimai
wechidiki aikange asina kupfeka.
Muenzi waJacob akazonyatsofunga zvaiitika azvamburwa
kaviri netyava kumusana. Mukadzi akaridza mhere
ndokumhanya achibuda mumba umu. Mbuya vaChido
havana kuita hanya naye, vakatarisana nemwana wavo
ndokuti; “Nhasi chindiuraya Yakopo, uraya inini ndizorore
shamhu yeDenga yauri kuisa paupenyu hwangu.”
Vakadaro tyava ichimonera muviri wese wemwana akange
ave murume mukuru. Jacob akaedza kubata amai vake asi
pese paaiedza kubata maoko avo, aicheketudzwa kurohwa
muviri wese. Akambofunga kuti asi pane mumwe munhu
aimurova zvakare here. Akazofunga kubuda mumba umu
achitiza ndokuenda kuseri kwemusha murima imomo.
Mbuya vaChido havana kutevera, vakavheyesa rambi ravo
imba yese ndokuona mbatya dzemuenzi waJacob ndokutora
voenda nadzo mumba mavo mekurara. Hapana zvavakasvik a
vachitaura, asi kungogadzirisa magumbeze pakange pakarara
muzukuru wavo uye kupawo muroora gumbeze rekurara.
Vaifemereka nehasha, Tendai haanawo zvaakataura asi
kubwaira bwaira ari mumagumbeze achiterera kuti Jacob

Page | 17
aizotevera akamurova semazuva ese. Izvi hazvina kuitika
kusvika abatirwa nehope.
Jacob akandomira kuseri kwemba achiterera kuti amai
vake vaizodii, pasina nguva akanzwa tsoka murima imomo
ndokucheuka; “Amanda, ndiwe?”
“Nditorere mbatya dzangu ndiende. Wadii kundiudza kuti
une mukadzi?” Amanda uya akadaro nehasha.
“Ndimoms avo handina mukadzi ini. Ukwane.” Jacob
akadaro asina kugadzikana.
“Ndati ndipe mbatya dzangu mhani!!” Amanda akadaro
zvakare nezeve zeve.
Jacob akanyahwaira sembavha pamusha pake paakavaka,
akandovhura musuo wemumba maairara sembavha.
Akashandisa mwenje wenhare yake kutsvaka mbatya
dzaAmanda asi akadzishaya. Akange ambodziona uye
ainyatsoziva kuti vese vari vaviri vakange vasina kudzibvisa
ipapo asi panguva iyi akadzishaya. Akakurumidza kupfeka
ndokutora tracksuit yake ondopa Amanda kuti apfekewo.
Akabva amuperekedza kuti andorara kuCollege kwaaigara.
Vese hapana akange ane mashoko ekutaura, mabasa erim a
akange asangana navo musi uyu. Jacob akadzoka ndokurara
pasina zvimwe zvaakaita. Paakati achirara, ndipo pakatanga
kubanda musana wese napese pakange pasvika tyava yamai
vake. Murume akagomera achiedza kuti hope dzibate.
Zvisinei, chimwe nechimwe chine chikuriri chacho, hope
dzakazobata.
Pazuva rakatevera apo akange ave kubuda kuti aende
kubasa, akawana amai vakamumirira netyava yavo zvakare.

Page | 18
“Ndini ndakatora mbatya dzemuroyi wako airara
pamubhedha wamai Chido. Akaenda ari musvo semuroyi
handiti?” Mbuya vakaseka chaizvo vakatarisa mwana wavo.
Jacob haana kupindura.
“Chinzwa iwe, kana ukangochemedza mai Chido futi,
ukangouya nemumwe mukadzi futi pamba pano…….
Ndinondopa vanaFata mbatya idzo. Ndinouya nadzo kubasa
kwenyu nguva iya yamunenge makaungana muchinamata
paAssembly penyu. Kabhurugwa kemukati kasina
kuwachwa, nechibata mazamu chinokwana musoro wangu.
Mwari akandiseka kundipa mwana mumwe chete anondiitira
mashura akadai.”
“Hamuite zvakadaro mhai. Makandikuvadza, nyaya yacho
haipere here?” Jacob akashamisika nezvakange zvave amai
vake.
“Imbondiedza uone. Ndoda kukunyadzisa zvekuti
unotama muMasvingo. Kukukuvadza papi? Ko mai Chido
wakamuita izvi kangani? Heeeya zvinotorwadza nhai?
Mushonga webenzi kurirova, ndazoona zvaunoda chaizvo.”
Jacob haana kupindura, kana tii yaakange agadzirirwa
nemudzimai wake yakatadza kunwika. Akapinda mumotikari
yake ndokuenda.
Achingobuda chivanze, vamwene vakabva vati;
“Zvandange ndichitaura apa ndange ndichirevesa mai Chido
wena.”
Vamwene vakatarisa muroora wavo ndokuenderera;
“Kana murume wako uyu akangokurova kana kuuya
nemumwe mukadzi zvemahumbwe zvamunoitirana

Page | 19
ndisingazive izvo undiudze. Ndinondovaudza vana Fata vese
nana Sister. Ndinondoudza vanhu vese vari paKoreji.”
“Zvigodii amai? Munenge mamunyadzisa.” Tendai
akadaro ave kuona kuti vamwene vake vaisatamba.
“Agotama, ngaabve pamusha pano andoshandira kure
achigara ega. Aite humhengera mumba hwake kure nesu.
Kure nevekuziva. Kana orwara tozozviona ipapo asi akusiye
uri mupenyu.” Amai vakadaro neshungu.
Tendai akaramba akanyarara achiona kutsamwa kwakange
kwakaita vamwene vake.
Asiwo kubva musi uyu kutukwa, kushorwa, bongozozo
zvakabva zvapera. Jacob akatanga achigara akafundumwara.
Mudzimai wake namai vake vaingomusiya akadaro,
nekufamba kwenguva, akange oita achisununguka.
Mhirizhonga yakapera mumba asi homwe haana
kusunungura. Mari yaive yake ega.
Tendai haana kuda kuudza vamwene vake kuti pane
zvakange zvisina kusanduka. Kuita mazuva maviri akazara
asina kutukwa kana kurohwa akaona iri shanduko hombe,
zvimwe zvaisave nebasa, zvaizotevera nekufamba kwenguva.
Zvakambomupa kudzikama pfungwa. Uye
vakazobatsirana kugeza maronda nekuisa mushonga
waiomesa kumusana kwaaiita seakavhiiwa nebanga.
Vakapedzisira vave kuseka vese nekutevedzera kupengereka
kwambuya vaChido vachisuka maronda ababa vaChido.

Page | 20
CHITSAUKO 03

Mazuva akafamba, Tendai akange ofarawo mumba make


zviri nane. Kunyange rudo rwakange rwusimo mumwoyo
make nekuda kweshungu dzezvakange zvamboitika, asi
akange ave nerugare. Hapana chainyanya kurwadza
chaakange achanyanyoona kubva kumurume wake. Kana
kutukwa achiudzwa kushata, kuonda nekusaratidzika
semukadzi zvakange zvave nane. Murume aisada kuti amai
vake vanzwe bopoto. Zvese zvakange zvave kuitwa muzeve
zeve nemuchihwande.
Tambo dzemagetsi dzaisimboshandiswa kumurova misi
nenguva dzakange dzaraswa. Kana gumbeze vakange vofuga
rimwe chete zvakanyanya kupinda mazuva ekumashure.
Mwedzi miviri yakapera pasina kurwa kana imwe
mhirizhonga yakaitika mumba maTendai. Kana vabereki vake
vakaonawo apedza mwedzi asina kushanya achichema
vakave nekuzorora kuti kuda mukunda wavo akange agara
umba make zvakanaka.
Nemusi weChitatu mangwanani Tendai navamwene vake
vakaenda kuMishoni kuruwadzano rwemadzimai, runonzi
Nzanga yeMbuya Anna kuRoma. Musi uyu Sr Anna-Mary
aive mukuru wemadzimai, varizve mutevedzeri
wemutungamiri weTeachers’ College vakadzidzisa madzimai
kubika makeke vachishandisa marasha.
Madzimai akasanganisa zvakasiyana siyana vachitandara
vachibika sekudzidziswa kwavaiitwa nemupikiri uyu.
Page | 21
Pashure vakapiwa putugadzike ndokunwa vese vachifarira
kudya zvavakange vabika. Vazhinji vakavimbisa
kuzondobikawo kudzimba dzavo.
Tendai akange akagara nevamwe madzimai ezera rake,
aive nasahwira wake amai Nokutenda vaivezve muvakidzani
wake. Chido aive nambuya vake vaivewo kwaive nechembere
dzezera ravo. Akati apedza kudya akada kurutsa achinzwa
kunhuhwirwa nemukaka mumbishi wakange waiswa
muputugadzike iyi.
Zvakamushamisawo nekuti ndiwo mukaka
wavaingoshandisa kumba kwavo vachitenga kuMishoni
kwaikamwa mukaka wemombe nguva nenguva. Akaedza
kusimuka kuti aende kuchimbuzi kundorutsa. Akazoita
kumhanya achibva pane vamwe uye dzungu range ramubata.
Haana zvaakazoziva akabva adzimira.
Mushure memaawa maviri Tendai akapepuka
akavhiringika achifunga kuti aivepi. Akabwaira bwaira
achicheuka ndokutarisana namukoti waaiziva vainzi mai
Mombeshora. Vakamusekerera ndokuti; “Mai Zivanai, zviri
sei?”
Tendai akamuka ndokugara pasi ndokuti; “Ko ndauya sei
kuno? Ndiri muClinic?”
“Madonha muri kuNzanga kuChitatu chemadzimai.
Mauya naSister Anna-Mary.” Mukoti Mombeshora vakadaro.
Vakaenderera; “Mbuya vaChido vari panze apo
vakakumirirai, baba vaChido vabva pano manje manje vati
kana mamuka ndigovadaidza, regai ndifone.”

Page | 22
Tendai akaramba akanyarara ndokudzokera kuisa musoro
pasi achinzwa kuneta muviri wese.
Akaita seave kubatirwa nehope kwekanguva, ndokubva
amutswa nemanzwi akange ave kutaura muchipatara umu.
Akavhura maziso ndokusanganidzana navamwene vake
vakange vakabereka Chido akarara hope. Jacob, baba vaChido
akange akamira nechekumusuo akazembera madziro.
Mbuya mukoti Mombeshora vakabva vati; “Makorokoto
mhuri yekwaZivanai, mai Chido vane pamuviri pane mwedzi
miviri. Mundodya zvakanaka, uye muzorore. Musasimudze
zvinorema kana kushanda zvakanyanya.”
Vese vakatarisana, mbuya vaChido vakasekerera vachifara
chaizvo. Jacob naTendai vakatarisana, Tendai aifara kuti
paisave nechirwere chaityisa chaaive nacho. Asi paakatarisa
kumeso kwaJacob, akamuwana akasunga huma asingavanze
kuti aisada zvenhumbu iyi. Mudzimai akadzima nyemwerero
yaive pameso pake ndokutsikitsira. Mukoti navamwene
vakazviona asi vakashayawo zvekureva.
“Ndokupai mapiritsi aya, ekuwedzera ropa. Mondodya
zvakanaka, musarega mudumbu muchirira nenzara……..”
Mukoti akambonyarara ndokutarisa Jacob zvekubira,
ndokuzoti akatarisa vamwene vemunhu; “Muone kuti vadya
zvakanyanya. Kana sadza chairo mangwanani, ngavambodya
kupinda zvavaiita mazuva ese. Uremu hwavo nenhumbu
hazvifambirane. Mai Chido tingati vari underweight pane
zvatinotarisira kuti vave, takatarisa kureba kwavo nezera
ravo. Vanofanira kuwedzera uremu kuti vatakure mwana
anosvika 9 months akasimba.”

Page | 23
Vese vakangonyarara, Tendai ndokutambira mapiritsi ake.
Vakafamba vobuda vachienda kumotikari yekumba kwavo
yaive panze. Jacob akavhura musuo wekumashure waida
kuita zvekukwetsurwa nechipanera, ndobata ruoko
rwaTendai kuti apinde. Akange aona kuti amai vake vave
kuda kupindawo kumashure, iye achida kugara navo mberi
kuti vakadzi vepaCollege vasaona Tendai mumota make.
Amai vakapoterera seri kwemotikari ndokundoedza
kuvhura musuwo wekumashure, asi pane zvakarira mukati
seraipwanyika magirazi vakabva vasiya. Jacob akapinda
ndokugara pachigaro chemutyairi ndokutora chipanera
ndokukakaritsana naro nechivhuriso chemukati ndokubva
ravhurika muchembere ndokupinda vogara.
Mbuya vaChido vakaedza kuvhara musuwo uyu asi
vakatadza. Jacob akazobudazve ndokutenderera. Akasvika
achiita zvekusimudzira achirongedza mamwe marabha
airembera padenga kuti pavharike zvakanaka. Akabva
adzokera kundogara pekutyaira.
Motikari yakatanga kufamba voenda kumba kwavo. Uyu
wakave musi wekutanga kuti Tendai apinde mumota umu
iyo yakange yave nemwedzi mina yatengwa pamusha
paZivanai. Vakasvika pasina mashoko akawanda
akatauriranwa. Mbuya vaChido ndivo vaingodzokorora
zvakange zvataurwa namukoti kuKiriniki kwavaibva.
Tendai akasvika ndokungonwa mvura ndokunanga
mumba mekurara sezvo dzungu rakange rave kutanga
zvakare. Jacob paakaona amai vake vachibuda muchivanze,
akabva atevera kwakange kwakarara Tendai.

Page | 24
“Ko nhumbu yakabata sei? Pana Chido wakaita nhumbu
tisina kubvumirana, ukatizira. Iyezvino wadzokororazve.
Handizvide izvi.” Jacob akadaro.
Tendai akambopererwa ndokuti; “Iwe waitarisira chii kana
tichigara semudzimai nemurume? Handisi mudzimai wako
here?”
Jacob akaridza tsamwa ndokuti; “Usanyepere kuzungaira,
nyaya dzedu pano haudzizive? Ndaingorara newe nekuti
iwewe naamai makadzingirira vanhu vangu. Inga usati
wataurisa kuna amai waisirara mukitchen? Une twunyaya
nyaya twunosembura nekunyadzisa kunzi ndakupa nhumb u
iwewe.”
Tendai akashaya zvekutaura ndokuramba anyerere
akarara. Jacob akaenderera; “Wanzwisisa zvataurwa namai
Mombeshora here iwe?”
Tendai akatarisa murume achirwadziwa nezvavaitaurirana
ndokungoti; “Hanzi chii?”
“Hanzi une kwashi. Uchazvara primicha kana rumwana
rune nzara saamai varwo. Maproblems ako haaperi iwewe.
Apa wave kutondipawo your problems.” Jacob akadaro
akamutarisa nemaziso ekushora. Tendai akabwaira bwaira
ndokunyarara achishaya zvekureva.
Nemusi weSvondo, Jacob akafumira mangwanani zuva
risati rabuda achienda kuMasvingo achitakura vanhu
vaimupa mari. Akadzoka ndokutarisa mudzimba dzese
ndokushaya vanhu. Akaziva kuti amai vake, nemwana
nemudzimai vakange vaenda kuMisa kuMishoni. Akabva

Page | 25
aenda kumba yekubikira otsvaga chekudya semunhu ak ange
abuda husiku utema.
Akagara pasi ave kudya nyama yembudzi yaakawana
mupoto yaive mumba mekubikira. Pasina nguva pamusiwo
pakagogodzwa, akasimudza musoro ndokuona vari mai
Noku, sahwira wavadzimai vake. Mudzimai wechidiki uyu
akabva angopinda ndokugara pabhenji raitevedza madziro
emumba mekubikira umu.
“Mai Noku, hey, kuchena kudai. Ko hamuna kunonoka
kuchechi here?” Jacob akadaro achinanzvira muromo wake
nemeso aichiva.
“Ndauya kuzotora mai Chido kuti tifambe tese. Makadii
baba vaChido?” Mai Noku vakadaro.
“Vaenda kuchechi kare kare avo……….” Jacob akadaro
ndokubva adimbudzirwa; “Aiwa ndataura navo mai Chido
tikati tiri kufamba tese. Vari pano.”
Jacob haana kuita hanya nazvo, akange aona kuti mai
Chido vaisavepo pamusha apa. Akayeva mukadzi uyu
ndokuti; “Wakazoti chiiko iwe? Baba vaNoku vatove ne 3
months vasina kudzoka kubva kuSA. Saka uri kuzvigona sei?
Ndiuyeka nhasi manheru…..” Jacob akadaro.
“Inga makaoma baba imi. Saka hamutonyari kuti ndiri
sahwira wavadzimai venyu kana?” mai Noku vakadaro
vasingaseki.
“Sahwira wako mukadzi here uya? Paya ndopasina
nezvemukadzi. Kana hembe dzaanopfeka kuchurch kuita
sedzakaturikwa pachigutsa. Kuzoti dai aipfekawo uniform
yenyu iyo zi heavy material? And bonde racho rinoitika sei

Page | 26
nemunhu anogara akangofundumwara? Ari mabhonzo ega?
Haageze sezvamunoita vamwe so. Hona sele yako mai Noku,
haaa iwewe kudya namambo. Munodonhedza musika amai
heeeey. Ndouya here nhasi?” Jacob akashingirira nyaya yake.
“Runako rwemukadzi kupfekedzwa. Dai muchimupawo
zvaanoda semukadzi aitadza kuchena here? Inhamo zvayo
yaanopiwa newe murume wacho asi mai Chido vakanaka
chaizvo. Zvese zvamuri kumutaura akagara
asingashungurudzwi zvinochinja.” Mai Noku vakadaro
zvakare.
Jacob akasimuka ndokubata mai Noku ruoko achiti;
“Wakapedzisira kubatwa nemaoko echirume riini?
Ndikazonyatsokubata tiri padyo nemubhedha iwewe unotiza
here………..”
Mai Noku vakasimuka vachimiza ruoko rwavo
ndokufamba vachibuda mumba umu. Vakabva
vasanganidzana naTendai, sahwira wavo akamira mumadziro
padyo nemusuwo waipinda mumba umu.
Tendai akabva angoti; “Sorry ndanonoka, ndiri kutobva
kundogeza. Rega ndikurumidze kundopfeka tiende.”
Tendai akafambisa oenda kumba yaairara, pasina nguva
akabuda apfeka skirt yakange yapera muto nekuwachwa.
Siketi yacho yaiita seichamonerwa ruviri nekuzoonda
kwaakange akaita kubvira payakange yatengwa.
Vakafamba vese chinyararire vachisiya Jacob ari mumba
mekubikira. Mai Noku vakambonyarara vachifunga kuti
shamwari yavo achabvunza zvaakange anzwa, asi Tendai
haana zvaakataura. Zvakavadya moyo kusvika vati;

Page | 27
“Murume wako akaoma shamwari. Nhai haandishuri
zvaange achindipfimba? Kutoita pikerere nenyaya isnia
maturo.”
“Zvinowanikwa. Ndozvaari Jacob. Inga ndaisikuudza
wani kuti hapana chandakagarira pamba apa muchiti
ndishingirire.” Tendai akadaro ndokunyarara. Vakamboita
nguva vakanyarara vachifamba padivi nepadivi. Vakange
vonzwa ngoma dzave kurira kuimba yaMwari kwainamatwa
musi uyu.
Mai Noku vakabva vati; “Tanonoka nhasi, vave kutoimba
Mwari ngaarumbidzwe. Ngatifambisei tindoimbawo
zvekurumbidza Mwari.”
Tendai haana kupindura izvi, akaramba akanyarara,
akatura befu ndokuti; “Saka baba vaChido vatanga
kukupfimbai nhasi here kana kuti zvakamboitika?”
Mai Noku vakanzwa kamutsetse keziya kachiyerera pakati
pemazamu avo ndokukosora vadzipwa nemate avo ndokuti;
“Aaaah handiti pamba pangu paroad, vaimbopfuura nepo
vachingotaura zvavo zvekupenga izvo.”
“Saka nhasi dai ndisina kukunzwai maizondiudzawo here
nhai asikana?” Tendai akabvunza akatarisa kumeso
kwasahwira wake. Vakamira vese vatarisana.
Mai Noku vakapukuta kumeso kwavo vave kudikitira
ndokuti; “Ummmm Tendai, ndofunga wave kutora nyaya iyi
zvisiri izvo. Ichokwadi dai wange usina kuvanzwa nhasi
ndisinawo kumbokuudza nezvazvo. Iwewe ndiwe shamwari
yangu. Murume wako ane chipfambi chinozikanwa mishoni
yese, neraini rese. Kukuudza zvakadai ndaiona

Page | 28
sekukurwadzisa. Uye ndange ndisingade kuputsa
hushamwari hwedu. Ndine urombo mabudiro azvaita.”
Tendai akambofunga ndokuzoti; “Ooook.
Ndakunzwisisa.” Akada kufamba kuti vachipinda
muchivanze chechechi. Mai Noku vakabata shamwari yavo
ruoko ndokuti; “Une pamuviri Tendai. Stress dzese idzi
hadzina kunaka. Uye handingade kupesana newe nekuda
kwemurume asina respect newe zvachose.”
Tendai akangogutsurira ndokubwaira bwaira ave
kudzorera misodzi yakange yave kuda kuerera nematama
ake. Akagumha gumha tsoka dzake nemucheka wezambiya
waive nawo ndokupinda mumba yekunamatira.
Vana vadiki veMissionary Childhood vaitamba vari
kumberi kwesangano rese. Kwaive nekwaya (Church Choir)
yaitungamira kuimba nziyo musi uyu. Ngoma nhatu
dzaitindimurwa zvaidaira nemudenga mese, hosho
nehwamanda dzaitsigira vanhu vachitamba, kuombera
nekupururudza. Vanhu vese vainakidzwa nerwiyo urwu
rwairumbidza Mwari uye ndicho chikamu cheMisa chaifadza
vanhu vemazera ese sezvo paive nekutamba nekuimba
mukurumbidza Mwari.
Tendai nasahwira wake mai Noku vakasvika vachiwana
pekugara asi vakabva vangobatana nevamwe mukutamba
nekuimba Mwari ngaarumbidzwe. Tendai akaedza
kunakidzwa nekutamba kwaiita vechidiki uye ruzha rwaive
mumba yaMwari iyi asi pfungwa nemarwadzo emoyo
zvakamukurira. Akapedzisira angoti tuzu akatarisa mberi
pasina chaainzwa kana chaaiita.

Page | 29
Mupfungwa make akafunga mwana aive mudumbu make.
Aizokura sei? Chido wacho aivepo akange asina zvekupfeka
zvakakwana uye akange asina ukama nababa vake
hwakanaka. Nhumbu iyi yakange yamukurumidzira. Sei
vanhu vasingade vana, vasingagone kuvachengeta, vasina
hurongwa hune chinangwa, vari ivo vaikurumidza kubata
pamuviri?
Paive namai nababa Chirikure vaidzidzisa vese paCollege,
vaive vanhu vakarurama, vaidanana, vainamata vese. Vaive
nemari yaikwana kurera kana vana vashanu asi vakange
vasina kana mumwe chete. Makuhwa aiti vakange vane
makore gumi nemashanu muwanano yavo. Vakange vakura,
vaine tarisiri yekuitawo wavo mwana asi zvaitoramba.
Iye Tendai akange asina kana chekudya chakakwana,
chekupfeka aiita kurota achipinda muchitoro. Asi nhumbu
yaisanetsa kubata. Akarwadziwa neupenyu hwake.
Aizonyararawo kuchema riini.
Kana pakazoparidza baba vezvomweya vachitaura
nezveMweya munyaradzi, Mweya musimbisi wakasiiwa
naJesu pakukwira kwake kudenga, Tendai akaeredza misodzi
achinamata. Ko waivepi Mweya munyaradzi uyu? Waigumira
pakuverengwa mubhuku here? Aifanira kuita sei kuti
anyaradzwe muupenyu hwake?
Tendai akafunga zvese zvakange zvaitika muupenyu
hwake. Kubvira kuroorwa kwaakange aitwa naJacob,
yaingove misodzi yega. Makore maviri aya avakange vagara
vese hapana chakange chambomunakidza. Ainzwa upenyu

Page | 30
hwake sehwakange hwamira. Uye akange asina tarisiro
yekuzoshanduka kwezvinhu mumba make naJacob.
Panguva iyo vanhu vaindogamuchira chirairo, kana kuti
muviri waKristo, akasara akagara sezvo aisakodzerazve
kugamuchira nekuti aisave nemuchato. Pamutemo wechechi
airarama muupombwe. Kunyange iye sedungamunhu akange
aita zvese kubhapatidzwa nekusimbiswa sezvaireva mutemo
wechechi, asi kuve kwake naJacob chaive chitema pamberi
pechechi.
Akafunga izvi akarohwa nehana. Asi Mwari
ndozvaaionawo here? Kana chechi yaimutonga nezvaiitwa
naJacob, ko Mwari vaimutonga sei? Jacob aizobvisa kutuk wa,
kushorwa nekuchema paupenyu hwake riiniko? Aizovewo
mudzimai akaroorwa anokudzwa mumba make riiniko?
Akapererwa achifunga kuti upenyu hwake hwaive mumaok o
aJacob. Zvaida Jacob ndozvaizove upenyu hwake.
Wanano yake yakange ichimutadzisa kuita zvimwe
zvakawanda mumba maMwari. Akafunga kuverenga
kwavaiita Bhaibheri pane rimwe Group repaWhatsApp.
Admin weGroup iri akange ati munhu wese averenge
Bhaibheri azvizivire Jesu. Asararame nemitemo yenyika kana
yemachechi yaigadzirwa nevanhu.
Apa Tendai akatura befu achifunga nekutenda Mwari k uti
muBhaibheri vakange vagona kuti denga haripindwe
nemichato. Uye mumwe nemumwe aizondomira nezvake
pamberi pechigaro chekutongwa. Dai zvivi zvemurume
nemukadzi zvaibatanidzwa, zvake nezvaJacob
zvikabatanidzwa…. Maiwee raive gehena chairo. Akaona

Page | 31
kushaya tariro kwaive maari akarwadziwa zvakanyanya.
Achifunga kuti Jacob haana zvaaizoshandura muupenyu
hwake. Hapana kunyaradzwa kwaizobva kuna Jacob.
Airamba ari chiseko chakashoreka.
Muchechi maiimbwa zvainakidza asi aive maungira
kumudzimai waJacob Zivanai. Aizonyararawo kuchema riini
mukati meupenyu hwake?
Muteuro weMisa wakapera zvakanaka vanhu ndokubuda
vachikwazisana vachienda kudzimba dzavo. Aisada
zvekutaura taura nevanhu, kunyanya vakadzi vekuCollege.
Aivaona vamwe vange vakanaka chaizvo vaine zviuno
zvakazara zvakatenderera, akange ambovabikira putugadzike
nemazai pamba pake semushandi waJacob.
Tendai akazobatana navamwene vake pakuenda kumba
kwavo. Mbuya vaChido vaifara nekuseka vachiwedzera
mharidzo yemusi uyu. Vakakurudzira muroora wavo kuti
vanamate kuti Mweya waMwari uvanyaradze pakuchema
kwavaiita mumusha mavo. Vakasekerera vachiona munamato
wavo sewakange wapindurwa.

CHITSAUKO 04
Pavhiki yakatevera, Tendai akange achirwara rwara
nenhumbu yake. Vamwene vake ndivo vaifara zvakanyanya
nekuti vaitarisira mumwe muzukuru. Mupfungwa dzavo
kukura kwemhuri ndiko kwaizobatanidza vabereki vechidik i
ava.
Mai Noku vakange varegera kunyanya kushanya pamusha
pana Zivanai. Hunhu hwababa vepambapa hwaizokanganisa

Page | 32
hushamwari hwavo uye chigarisano muraini. Mai Nokutenda
vakafunga kuzvigarira kumba kwavo vachichengeta musha
wavakange vasiirwa nemurume nekudya maRands emhiri
kwaLimpopo aaitumira. Vaive nerugare rwavo vakadaro,
vainzwira Tendai tsitsi nekuda kwehupenyu hwaairarama.
Apo wakange wave musi weMugovera, madzimai echidik i
vakasangana pachechi vachitsvaira, kudiridza maruva uye
kubatsirana nanaSister kushongedza mumba maMwari. Uku
kwaive kugadzirira muteuro weMisa wezuva raizotevera.
Mai Chido, Tendai, neshamwari yake mai Noku vaivepowo
pamadzimai aya.
Avo vaidzidza paCollege vaiita zvekuimba muchechi
vaivepowo vachigadzirira nziyo dzekuzoimba pazuva
raitevera.
Apo vakange vapedza vave kuenda kudzimba dzavo,
Tendai akapfuura nepaive naSister Anna-Mary vakamira
nemumwe mudzimai wechidiki aidzidzawo kuCollege.
Sister Anna-Mary vakakwazisa Tendai
vachimumbundikira nemufaro mukuru. Vakabata bata
dumbu rake ndokuti; “Ari kukura here baby nhai muroora?
Ngaakure hanzvadzi yangu azadze musha.” Vakaseka vese
Sister ndokuti kumudzimai wavaive naye; “Munozivana here
imimi? Ndimai Zivanai ava. Mudzimai waCaretaker Zivanai.
Iwe Pamela, ndiwe waibvunza munhu anokwanisa
kukubatsira kuita cakes and scones. Mai Zivanai is the best
pamadzimai. Ukavadaidza kwaunogara uko kusiri muHostel
vanokudzidzisa. Vanogonesa.”

Page | 33
Vakadzi vakatarisana, vakazivana, Pamela ndokutsikitsira.
Sr Anna- Mary vakatarisa Tendai ndokuti; “Handei mai
Zivanai kuConvent kune mukaka wakazonaka wandinoda
kukupai. Ndakakuchengeterai nezuro.”
Tendai namai Noku vakafamba vese naSister Anna-Mary
voenda kumba kwaigara vapikiri vechikadzi kundotora
mukaka. Vakadzi vakasara panze vakamirira Sister.
Mai Noku vakabva vati; “Ko sei wanyarara pawanzi
naSister udzidzise muStudent uya baking? Waita sekuti
haudi.”
Tendai akabva ati; “Kana iye handifunge kuti anoda
kudzidziswa neni uyu.”
Mai Noku vakabva vati; “Achirambirei, anokuziva here?
NdiPamela Mawarire handiti?”
Tendai akambonyarara ndokuti; “Ari kushamisika kuti
ndiri mai Zivanai. Paye pandakakuudza kuti pane vasikana
vanouya kuzorara kumba kwangu vachinzi nababa Chido
ndiri musikana webasa, Pamela ndiye mumwe wacho.
Pavatatu vandinoziva iye akauya kakawanda.”
Mai Noku vakadzungudza zvekupererwa. Vave kuda
kupindura mai Wedze vaishanda mumba memaSister
vakabudikira ndokuti; “Ndakambovaudza Sister Anna-Mary
kuti Pamela wavo ihure. And ndakamuona kakawanda
mumota yavaZivanai……………”
Sister Anna-Mary vakange vatererawo vachibuda mumba
mavakabva ne5L yemukaka. Madzimai ese akatarisa Sister
avo vaida kunzwa nyaya yese. Mai Wedze vakabva
vadzokorora zvavakange vanzwa Tendai namai Noku

Page | 34
vachitaurirana. Vaiti vakataura mashoko maviri kana matatu
votarisa Tendai vachiti; “Ndizvoka?” Tendai aingogutsurira.
Sister Anna-Mary vakakwamatata; “Holy Mary mother of
Jesus! Zvaari mashura paMission pano. Chokwadi Pamela
anoda kuti College yedu ifananidzwe nemaState University
kunoparadzwa misha yavanhu? Nhasi anotsanangura nyaya
yake zvakanaka.”
Hana yaTendai yakarova zvakanyanya, akabva ati kuna
Sister Anna-Mary; “Aiwa tete Sister please, musamubvunza.
Hanzvadzi yenyu haazvide izvozvo.”
“Zvipi zvaasingade? Iwe une nhumbu unofanira
kuchengetwa zvakanaka. Type dzana Pamela dzinodya mari
yese yemurume wako iwe nevana vaviri mune nzara. Kana
iye Jacob munhu rudzii munhu wandinogara ndichitsiura
nenyaya dzemakuhwa epaCollege? Vasikana vanomutaura
chaizvo. Vese nhasi vanotsanangura. Iye Jacob nepfambi yake,
nhasi vanoreurura zvese.”
Tendai akapfugama pasi ndokuti; “Aiwa aiwa sister,
musabvunza. Ndichazvigadzirisa kumba ndega. Jacob
haazvide izvozvo. Please sister siyanai nazvo.”
Mai Noku akabva ati; “Iwe mai Chido, Sister
ndovanototererwa nababa Chido. Unogara uchimuvharira
nyaya dzake ndosaka zvisingapere. Regera Sister
vambofumurawo zvimwe.”
Mai Wedze vakagutsurirawo chaizvo; “Sister endai
munyadzise vanhu. Tendai kana une hama saSister Anna-
Mary vanotyiwa neMission yese rega vambokurwirawo
dzimwe hondo. Wega hauzvigone. Iyezvino mission yese

Page | 35
inoti mukadzi waZivanai ane mimba ine kwashi. Chii
ichocho? Ndosaka Zivanai asingade kuzivikanzwa kuti ndiye
murume wako. Okubata khaki, okuchembedza, okunyadzisa
futi. Aiwa mai Zivanai regera Sister vambopa vanhu saizi
yavo kamwe chete ikaka.”
Tendai akabva anyarara, akatambira mukaka waakange
apiwa naSister Anna-Mary ndokubva vafamba namai Noku
voenda kumba kwavo.
“Zvese zvamange muchitaura ndizvo mai Noku. Asi Jacob
haasi wekuendera mberi. Haazvide izvo. Tichatonetsana kana
akabvunzwa nyaya iyi.” Tendai akadaro.
Mai Noku havana kuita hanya nazvo. Vakange vachifara
chaizvo kuti Sr Anna-Mary vaizonyadzisa Jacob. Jacob akange
ajaira kuita zvaanoda kuna Tendai pasina aimubvunza
waaitya kana kuzeza. Sister Anna-Mary
vaizombomudzikamisa.
Vakatanga kusvika pamba pamai Noku ndokupinda vese.
Mai Noku vakakurumidza kutungidza chitofu chavo cheGas
ndokubika sadza ravakadya nematemba avakange vasiya
zuva rakange rapfuura. Vakafara chose kuona shamwari yavo
achidya zvaakange asingaite kumba kwake.
Tendai akapawo mumwe mukaka kuna sahwira wake
ndokuperekedzana voenda kwaZivanai. Mai Noku
vakadzokera apo vakaona motikari yaJacob ichisvika. Jacob
akavapfumbura vese asina kucheuka kana kukwazisa
muvakidzani mai Noku.

Page | 36
Pamba pakange pasina munhu, Chido nambuya vake
vakange vaenda kundodiridza kubindu ravo remuriwo raive
padyo nekurukova kwaive nemvura.
Tendai akangoti achisvika, vasina kana kukwazisana kana
kupinda mumba, akabva arohwa mbama yakamuonesa
nyeredzi masikati aya. Mukadzi akabata kumeso nzeve
dzichirira nekurwadziwa.
“Waudza Sister Anna-Mary kuti chii? Kana Pamela
akadzingwa chikoro imhosva yako. Kana ndikadzingwa basa
handidi kukuona zvakare muupenyu hwangu.”
“Baba Chido, pataurika zvakawanda zvange
zvichizivikanwa nevamwe. Ko ini ndaita sei?” Tendai
akadaro achibwaira bwaira.
“Usaite nharo mhani, anoziva kuti Pamela akarara pano
ukamubikira breakfast ndiani kunze kwako?” Jacob akadaro
nehasha.
Tendai akange achiri kurwadziwa dama raakange
asakadzwa nembama; “Inga muri kuzvitaura wani mega.
Saka manyeperwa here? Sister Anna-Mary vakubvunzai
zvinhu zvamunoita asi musingade kuti zvizivikanwe
nevanhu. Munodii kungorega hunhu ihwohwo nhai …….. ”
Jacob akaita hasha kuudzwa izvi, akasvetukira mudzimai
ndokumurova mambama kumatama ese. Akagotanga
kumuponda ponda nezvibhakera padumbu, kumusana,
mumusoro. Tendai akaridza mhere ndokudonhera pasi. Sezvo
vairwira pachivanze, mhere iyi yakanzikwa nevavakidzani.
Jacob paakaona Tendai ave pasi, akatanga kumutsika tsika
zvakare. Aimupfanhura nemakumbo sezvo maoko akange

Page | 37
ave kurwadza nekumubinha kwaaiita. Mai Noku ndivo
vakatanga kusvika ndokusaidzira Jacob kure, vakomana
vemuraini vakazobata Jacob madzimai oedza kumutsa Tendai
vachimudira mvura.
“Dirai imwe mvura, ropa rakawanda kudai riri kubva
paiko? Mukanwa? Munzeve?” Vamwe amai vakadaro.
“Afa? Haasi kufema?” vamwe vakadaro vaona ruoko
rwaTendai rwangoti regwede kudonhera pasi.
Mai Noku vakatanga kubongomora mhere, Jacob
akapunyuka paange akabatwa ndokurova bara achitiza
akananga musango. Akatya kuti ange auraya mwanasikana
wevaridzi sekutaura kwaiita madzimai. Pasina nguva
pakasvika motikari yavaJachi vaidzidzisa kuPrimary School.
Vakamhanya naTendai kuClinic. Mai Mombeshora
vakangobata bata Tendai kwenguva shoma shoma
ndokudaidza Ambulance yeMission iyo yakabva
yamumhanyisa kuMasvingo. Mai Noku vakabva vadzokera
kumba kwavo. Vakandokiya musuo ndokumhanya kumba
kwavaPoga vabereki vaTendai vondovataurira zvakange
zvaitika.
Hana yamai Noku yairova. Vaizvipa mhosva kuti vakange
vakurudzira kuti Sr Anna-Mary vataure naJacob. Vakange
vaurayisa shamwari yavo. Mai Poga havana kupedza nguva,
vakabva vangonanga kuMasvingo kwakange kwaendeswa
mwanasikana wavo.
Jacob akaita mazuva maviri asingasvike pamba uye
asingazivikanwe kwaaive. Amai vake vakange vogara
vakabatira ura mumaoko vachizeza kunzwa kuti pane akaona

Page | 38
murume akazvisungirira mumasango. Ndivo vega
vakandoreva nyaya yese kumapurisa.
Tendai akaita mazuva maviri akarara asingazive kwaaive.
Pazuva retatu akamuka. Vemhuri yake vese vaivepo, vaPoga
nevekwavo vakafara chaizvo apo mai Chido vakamuka
vakaratidza kuti vapenyu.
Chiremba akauya ndokuvati; “Tendai anoita zvakanaka,
zvese zvange zvichikwanisa kutora upenyu hwake zvanaka.
Asara mavanga ekunze. Mukati mese maibuda ropa
takakwanisa kurapa.”
Vabereki vakasekererana, vese ndokutarisa mwanasikana
wavo uyo akabva aedzawo kunyemwerera.
Chiremba akabva ati zvakare; “Asi ndine hurombo,
nhumbu ndoyakabva. Kudonha kwakaita amai, kubuda ropa
zvakanyanya uye pressure yakaiswa padumbu pavo,
yakaparadza upenyu hwemwana.”
Baba vaMasimba vakabva vati; “Nhai Chiremba, kana
muchiti imimi padumbu pamai pakaita pressure, munoreva
kuti murume uya akarova sisi vangu kusvika mimba yabva?
Aaah? Munorevesa?”
Chiremba vakaramba vakanyarara. Vakabva vafamba
namukoti voenda kwaive nevamwe varwere. Mhuri yavaPoga
vakambonyarara mumwe nemumwe achifunga. Vari imomo
vakaona mukoti aifamba achiuya pavaive pamwe chete
nedangwe remhuri iyi Petronella aishanda kuHarare.
Mukadzi akangonanga pange pakarara munin’ina wake
ndokumumbundikira achiyeredza misodzi yekurwadziwa.
Akatarisa vabereki nehanzvadzi yake ndokuti; “Saka

Page | 39
zvichaguma sei? Momudzorera futi kuti adzoke ave
muCoffin? Baba ndozvamuri kuda? Munoona zviri nane
kunzi mwanasikana wenyu akafa than kunzi akarambwa
handiti?” Petronella akabata munin’ina wake ruoko
ndokueredza misodzi.
Nguva yekushanyira varwere yakange yapfuura, vese
vakabuda. Petronella ndokusara akagara pachipatara kuti
amai vake vamboendawo kumba.
Mushure memazuva maviri, Tendai akazobudiswa
muchipatara. Sister Anna-Mary vakauya vomutora
nemotikari yavo yeMission ndokuenda kumba kwavo
kuBondolfi.
Pazuva rakatevera, mai Kurauone nemurume wavo
vaKurauone vakauya kuzoona murwere. Asi vaKurauone
sezvo vaive ivo vakaita munyai pakaroorana Jacob naTendai,
vakazomukumbirira ruregerero kumhuri yekwaPoga. Vese
vemumusha maPoga vakange vakatsamwa chaizvo pasina
aida kuterera zvavaitaura. Mushure mebopoto guru
vaKurauone vachivavarira kuripa nekutora mudzimai,
Petronella akazokwanisa kuti vese vamboterera kuti Tendai
aidawo chii.
Tendai akanyatsogadzirisa magumbeze akange
akamutsigira ndokugara zvakanaka. VaKurauone vakabva
vati; “Mai Chido, baba vaChido vari kuti vane urombo
zvikuru netsaona yakaitika. Vanoripa havo mudzoke kum ba.
Mhuri yese ine urombo nezvakaitika.”
Tendai akaita seave kunyemwerera ndokuti; “Ari
kukunyeperai Jacob, haandide. Uye haade kuti ndidzoke

Page | 40
kumba. Uye haasi sorry pane zvakaitika aitoda kundiuraya.
Kana kundirwadzisa kuti ndisambotaurazve zvakaipa
zvaanoita.”
“Dzorai mwoyo muroora, apfidza.” VaKurauone
vakadaro.
Tendai akabva ati; “Endai mundomuudza kuti handisi
kundomurevera kumapurisa. Ari kuda kunyepera rudo
nekutya kusungiswa. Hapana hangu zvandichaita. Ngaagare
nevakadzi vake vaaida kundiurayira. Mundoti mbuya
vaChido ruregerero ndazvitadzawo ini zvemwana wavo.”
Petronella akabva ati; “Mazvinzwaka, makore ese maiti
ndini ndinomufurira. Nhasi afurirwa nani? Asi Jacob kuripa
ngaaripe. Iwe baba Masimba, ripisai munhu uyu, mugoti
aunze gupuro racho. KaMarriage urombo aka kabva kapera
nhaika. Handei mumba iwe Tendai vana baba vapedzise
nyaya iyi.”
Mukoma nemunin’ina vakabatsirana kusimuka ndok ubva
vananaidzana vachienda kumba kwavairara. Iyi yaive imba
yaive nemipanda mitatu chete yakange yavakwa naPetronella
paakabva kwaakange akaroorwa. Yaive nedzimba dzekurara
mbiri uye yekutandarira yaive hombe yaive pakati.
Vana vake vaviri, mukomana nemusikana vaidzidza
kuGokomere Mission. Baba vavo vaibhadhara mari
yechikoro, amai vachienda kundoshanyira vana pakati
petemu. Vana ava vaishanyira vabereki vese uye vana mbuya
vavo vese kana pave pazororo. Asi kwavaisvikira kwavaiti
kumba, kwaive ukoku Bhondorofi pamusha pavabereki
vamai vavo.

Page | 41
Vakuru vakasara votaurirana nezveimba yaJacob
naTendai. Mukoma nemunin’ina ndokundogara mumba
umu. Ndipo pakawana Tendai mukana wekunyatsovhura
mapasuro a
akange auya nazvo. Aive nembatya dzemhuri yese. Chido
akange atengerwa dzaipfuura gumi. Kasikana kakatanga
kupfeka kachikumura, kotora zvimwe kopfekazve kokumura
kachiseka naamaiguru vako. Kana Tendai akambokanganwa
kurwadziwa kwake achiona kufara kwaiita mwana wake
navakoma vake.
Tendai akambotandavara achibata bata gumbo rake
rakange rave kupora ndokuti; “Maita basa sisi, ndinotenda
chaizvo. And mundiregererewo, handina kukutererai pamaiti
ndibve kwaJacob ndisati ndakuvara sezvandave izvi. Honai
ndazokupinzai busy nemaHospital bills.”
“Iyezvino wangwara, wazopepuka wambodongorera
muguva? Ndafara kuti wave kumba.” Petronella akadaro.
“Ko maiti makachinja basa mave kupi?” Tendai akabvunza
zvakare.
Petronella akambogadzira zvaipfekwa naChido ndokuti;
“Ndakasiya wena kushanda paLodge paye. Ndakawana basa
kuCleaning Company. Saka tinocleaner kumaCompany
akasiyana siyana kunenge kwawana murungu wedu
maContracts.”
“Mune lucky rebasa sisi Petty. Mashanda maCompany
manganiko kubva zvamaenda kuHarare?” Tendai akadaro
achiyemura mukoma wake.

Page | 42
Akange ave kuita semukuru kuna vakoma vaive mukuru
nemakore manomwe ese. Vakange vakanaka kumeso uye
vakapfeka zvakanaka, bvudzi, nzara zvese zvaiyevedza.
Ganda ravo raive rakatsetseka uye rine utano. Akazvitarisa
akazvinzwira tsitsi achiona kusakara nekuroorwa kwake
naJacob nekurwara kwaakange akaita.
Petronella akanyemwerera akatarisa munin’ina wake
ndokuti; “Ukagara mwedzi wese pamba, ukazoenda
kuReview yako, unozouya kuHarare. Tozotsvaga basa
wavepo. Nekuti tiri kuCleaner kumaCompany akasiyana
siyana ndine mukana wekufamba mumaOffice evanhu
tichitengesawo tumwe twatinohodha. Haumbozoshaya
zvekuita my sister. Izvozvi ndakatengesera vanhu veBe-
Secure Security Company, ndikatengesera vekune imwe
insurance Company, bhutsu dzandakawana kuTanzania. 16
pairs musi mumwe chete.”
“Ichokwadi sisi. Regai ndizoshandira mwana wangu.”
Tendai akadaro.
“Unofanira kupora zvese nyama nepfungwa. Nyama
inotokurumidza kupora asi pfungwa dzezvawaiitirwa
dzinoramba dziripo. Machechi kuHarare akawanda,
maPrayer Groups, unondojoinawo wowana mai Pastor
vanokupa Counseling. Type dzana Jacob idzi dzikakubata
rough unofunga kuti kana naMwari ndozvaanokufungira.
Unofanira kuwana personal identity yako wega
inokukanganwisa nhamo yekwaZivanai.”

Page | 43
Tendai akabwaira bwaira ndokuti; “Ndizvozvo sisi.
Iyezvino ndinongofunga kuti ndiri benzi, handifunge,
ndakashata, zvese zvakaipa zvaaindiudza.”
“Iwe waive ne6 O’Levels dzako wopusiswa nemunhu ane
C kuShona yega. Kana iyo nursing yawaida, tinozotaurazve
nana Sister Anna-Mary avo vanokufarira vakubatsire
kutsvaga nzvimbo. Uchitangawo kurarama hupenyu hwako
kwete kungoitwa stupid nerimwe benziwo rine mhepo
dzarowo dzinotorishungurudza.”
Tendai akagutsurira. Mwoyo wake wakange wafuratira
zvekuroorwa naZivanai zvachose. Akange arwadziwa
zvakakwana, akange atarisa kumberi kuupenyu husina Jacob
Zivanai. Akatanga kufunga munamato waakange aita
masvondo maviri akange apfuura, wakange wadairwa,
akange azonyaradzwa. Akatenda Mwari nemukoma wake
uyu. Akange amunzwisisa nekumugamuchira kunyange
akange amboita nharo kumashure kwese.
Chainyanya kumufadza kwaive kuzobva munzvimbo iyi.
Vanhu vese vaaizeza kuona, nevaainyara kutaura navo
achitsanangura kuti haasisiri mudzimai waZivanai aizovasiya
kuMasvingo. Aizodzoka apora maronda emwoyo wake.
Aizodzoka asingachanyare kutaura kuti ndakarambwa
nemurume. Aizodzoka asingachatizi kusangana nevanhu
vaimudemba seafirwa.
Akatenda mukoma wake uyu kuti vaizotanga zvitsva vese.
Aive nekutya maari, kutya kugara ega, kutya kuita zvinhu
ega. Kutya kuzviraramira ega. Asi mukoma wake

Page | 44
aizomubatsira uye aizomunyaradza. Akatarisira kuzobatsirwa
neMweya waMwari. Mweya munyaradzi.

Page | 45
CHITSAUKO 05

Munyaradzi Shumba akaramba akagara pamubhedha


pemwanasikana wake Rosemary Nyaradzo. Murume akange
akabata rushaya neruoko rwerudyi, rweruboshwe rwakabata
ruoko rwemwana. Mwana uyu aifemedzeka nekuda
kwekuchema nguva yakarebesa uye shungu dzekurwadziwa
dzaive maari. Akange ane makore matanhatu ekuberekwa.
Baba vakange voshaya zvekuita nemwana uyu, vakange
votadza kumunyaradza. Munyaradzi aiti akaedza kusimuka,
Rose aibva abatisisa ruoko rwababa vake nekuedzesera
kumuka.
Baba vakazosvika pakuneta ndokubvisa mapata pata
avakange vakapfeka ndokungorarawo padivi pemwana.
Kwakaedza vakadaro, Rosemary ndiye akatotanga kumuka
ndokubata kumeso kwababa vake achivamutsa; “Daddy, tete
mai Ngoni vadzoka? Handei kukitchen, vadzoka tete ndoda
kuvaona.”
Munyaradzi akatanga achidairira kuhope ndokuzomuka
ndokuti; “No my baby, tete havasi kudzoka. Let’s go bath,
nhasi unondiperekedza kubasa, tozoenda kuIce-cream.
Tozoenda kwaambuya kuNorton, right?”
Rosemary akamboramba akanyarara,
ndokungozogutsurira sezvo baba vake vakange varamba
vakamutarisa. Akabva amuka ndokunanga muimba

Page | 46
yekugezera baba vake vachiendawo kundogeza kumba yavo
yekurara.
“Ende makaoma baba nemwana imimi. Munya are you
serious? Honestly ungaite usiku hwese wakarara paka three
quarter bed nemwana? Musikana for that matter?” Bella
akadaro achiombera maoko zvekusvotwa nekupererwa
akatarisa vaviri ava
******************************
Munyaradzai Shumba, naRosemary Shumba, baba
nemwana……. naBella……….. Vakabvepiko? Vaiita nezvei?
Seiko mwana uyu akange achema usiku hwese achitadza
kunyaradzika?
Kare kare, makore manomwe akange apfuura, Munyaradzi
Shumba aigara naamai vake kuNorton, baba vake vakange
vashaya achiri kuSecondary school. Ndiye aive mwana wavo
ega. Akange ave nemakore maviri abva kuGomo refundo
kuUniversity yeZimbabwe kwaakange aita Degree
reAccounting. Akange aita mwedzi mitanhatu achitsvaga
basa kwakuzowana pane imwe Company yaive nemuridzi
wayo aive kunze kwenyika. Iyi yaive Security Company.
Muridzi wayo paakapinza Munyaradzi basa akange oda
kuivhara sezvo yakange yomudyira mari yakawanda pasina
chaaiwana.
Munyaradzi paakashanda apa, akakwanisa kusimudza
Company nekuiwanisa mabasa akasiyana siyana aiunza mari.
Izvi zvakafadza muridzi weCompany uyo akabva
abvumirana naMunyaradzi kuti kana vakashanda vese,

Page | 47
Munyaradzi akakwanisa kuti Company idzore mari yese
yaakashandisa, aizomupa Company iyi kuti ive yake.
Mushure mekunyorerana pasi chibvumirano ichi,
Munyaradzi akashanda zvakapetwa kusimudza Company iyi.
Akatanga nekudzosera mari yese yaiwanikwa apa.
Akashandisa mari yaaiwana kugadzirisa vashandi,
zvekupfeka zvavo uye kuvadzidzisa basa zvemhando
yepamusoro.
Naizvozvo, vemaBusiness muguta reHarare nenzvimbo
dzakapoteredza vakaziva kuti ukawana Security Guard
anobva kuBe-Secure Security Company unenge
wachengetedza bhizinisi rako. Uye mari yako inenge
yabhadhara zviripo zvine maturo.
Apo Munyaradzi akange ave iye muridzi weCompany,
akawedzera kudzidzisa vamwe vana mahobho zvekuti vange
vosvika 50 vachishanda kumaBank, maEmbassy nemamwe
maCompany makuru.
Munyaradzi aive nemusikana waaidanana naye ainzi Bella
Matongo. Vakange vadzidza vese kugomo refundo uye Bella
aigara ega muHarare maaishanda. Vabereki vake vaigara
kumusha kwavo kuHwedza. Pamakore mana avakange vari
vese, vaidanana mwedzi mitatu, vomborambana kwemwedzi
mumwe chete. Vosangana, votaurirana vodzokerana zvakare.
Musikana akange azvijaira kuti ndiwo waive muitiro
wavo, akange asina basa nazvo, aiziva kuti mukomana
achadzoka. Pamusi watiri kutaura uyu, kwaive kupera
kwevhiki, uri musi weChishanu. Munyaradzi naBella
vakange vatukana zvakaipisisa. Nyaya yakange yatangira apo

Page | 48
musikana akange ayeuchidza mukomana wake kuti
vaizoenda kumuchato wehama yaBella. Munyaradzi
akaramba kuenda kumuchato uyu. Vakaramba vachichinjana
mashoko kusvika vaudzana kutambisirana nguva,
kushandisana, kusakoshesana uye kusada kuroorana.
Munyaradzi akange aenda kumba kwake kuGreendale.
Akandomira mira ega akagumbuka zvaiitika pakati pake
naBella. Akabva afunga amai vake vaigara kuNorton
ndokupinda mumota ndokuenda.
“Ko watodzokazve kuno nhai Munya?” mai Shumba
vakadaro apo Munyaradzi akavatevera mubindu ravo
remuriwo.
Munyaradzi akaseka ndokuti; “Kundidzinga here uku nhai
amai? Hamude kudiwa seiko?”
Amai nemwana vakaseka vachikwazisana. Amai
vakaramba vakabata mwana wavo maoko ndokuti; “Ndiri
kukuona, wakasimba wena. Chitora dhishi randaisa
maAvocado ayo tipinde mumba. Kana uchida mamwe
unozotema wega. Iwayo pane vandiri kuda kupa.”
Munyaradzi akabatsira amai vake kupinza zvavaive nazvo
mumba. Mumba maive nanaamainini vake vaviri, Constance
naJane, vaive vana vehanzvadzi dzamai vake vaichengetwa
namai vake. Mumwe aive fomu 4 mumwe ari fomu 6
muzvikoro zvaive muNorton makare.
Amai nemwana vakandogara mumba mekutandarira
ndokutanga kuita nyaya.

Page | 49
“Hauchiroori nhai Munya? Company yako yakura
mwanangu. Imba yako kuGreendale yakanakisa. Chii
chasara?” amai vakadro vachicheka kotopeya vachidya.
Munyaradzi akadzungudza ndokuti; “Ndaida kuroora
Bella amai asi haaaa, ndatadza. Kusiyana naye iyezvino kuri
nane pane kuzorambana tave nemwana kana vana.”
Mai Shumba vakapererwa ndokuti; “Hezvoo, zvambodii?”
“Hatipedze mwedzi pasina kunetsana netunyaya tudiki.
Nhasi ndange ndisina kuronga kuuya kuno asi ndatozouya
kuzozora hangu kutukwa kwandaitwa.” Munyaradzi
akadaro.
“Yange iri nyaya yei?” Amai vakada kuziva.
Munyaradzi akambonwa energy drink raakange abva naro
ndokuti; “Cousin yake ari kuchata mangwana. So takange tati
tichaenda tese. But nezvange zvichiitika murelationship yedu
ndaona sezvisina kunaka kuti ndiende.”
“Ave kunyaraka kundoona hama dzake ari ega iye
akambovaudza kuti muri kuuya mese.” Amai vakadaro.
Munyaradzi akadzungudza ndokuti; “Ko pano akambouya
kangani? Akauya kamwe chete pa4 years dzatave tese. Ko
anombokufonerai ari ega here? Anyway, haisiyo nyaya yacho.
Ndaona zviri nane kuregera kuenda naye pane kuonekwa
nehama dzese tichinyepera kunge tisu next kuchata ini
ndichiona kuti rudo rwacho hapachina. Ndafunga kuti
hazvina hunhu uye kumunyadzisa pahama dzake next time
vave kungobvunza kuti ko uya wawakambouya naye aripi.”
Mai Shumba vakambonyarara ndokuzoti; “Kana wadaro
hakoka mwanangu. Wozondiudzawo waunenge wasarudza.”

Page | 50
Munyaradzi akabva azoti; “Enough about me, mai vangu.
Ndoda kuita kaBraai pano mangwana. Imimi daidzai your
friends, inini ndodaidza ana Farai kana dzimwe boys. ”
“Tinenge tichiita party yeiko?” Mai Shumba vakabvunza
vakatarisa mwana wavo.
“Kuti muri amai vangu, ndiri mwana wenyu.” Vese
vakaseka Munyaradzi ndokusimuka achienda mumba
mekubikira maive nanamainini vake. Pasina nguva
mukicheni makange mave kusekwa nekuitwa ruzha.
Vakatandara vese usiku uhwu vachironga zvavaida
kuzoita pazuva raitevera. Vana amainini vakafarawo kunzi
vadaidze shamwari dzavo dzavaidzidza nadzo.
Vaizowanawo vekutandara navo.
Pazuva rakatevera, sezvo waive Mugovera, musha wese
pamai Shumba vakamuka zuva rakwira. Vasikana
vakatsvaira tsvaira ndokubika kudya kwemangwanani.
Vakagara vese patafura vachidya. Munyaradzi ndiye
aitaurisa achiudza hama dzake zvekubasa kwake. Mushure
mekudya akabva ati; “Regai tinotenga nyama, huni
nemadrinks ko amai mazoti munoda kudaidza aniwo. Kana
vamwe venyu vekuchechi.”
Mai Shumba vakabva vati; “Iwe neshamwari dzako
munoda kunwa hwahwa hwenyu. Vanhu vekuchechi
vangazotaurisa. Endai mutenge zvamunoda mutandare vana
vangu. Kukuonai imi muri vatatu muchifara
kwakandikwanira.”
Vakambonyarara ndokuzoti; “Asi dai kuchiri kare tinana
baba namai Kanengoni. Ndivo vaive masahwira epamoyo.

Page | 51
Hapana chataiita vasipo. Kana pakashaya amai
vavaKanengoni takaenda tese kuVumba kumusha kwavo.
Kana baba vako mwanangu pavakashaya, vaKanengoni
vakaita baba vako, vaive sahwira mukuru.
Baba vako navaKanengoni vakashanda vese kwe 15 years
paMunicipality apa muno muNorton. Vange vave
mabrothers, inini namai Kanengoni tave masisters. Kana
iwewe nemwana wavo muhombe Gilbert makazoparadzana
oenda kuIreland asi taive mhuri imwe chete.”
Munyaradzi aizivisisa nhoroondo iyi, amai vake vaigara
vachitaura nezvemhuri yekwaKanengoni. Akange ave
nenguva asina kutaura naGilbert, asi vakange vamboedza
kuchengetedza hushamwari hwavo. Gilbert akange ane
munin’ina wake ainzi Albert uye hanzvadzi ainzi Joyce.
Vakange vabuda muNorton mhuri yese asi vaive neimba
kuKnowe muNorton makare. Vasikana vakaterera tete vavo
vachitaura nhoroondo yeupenyu hwavo mazuva avakatanga
kugara muNorton. Ivo namai Kanengoni vaive vadzidzisi
paVimbai High School.
Munyaradzi akazoti; “Handei handei vana mainini,
ndakati vanhu vauye na3 masikati. Tikanonoka madrinks
haazonyatsotonhora.”
Vatatu ava vakabuda vachisiya muchembere wemusha
wavo ega. Vakaenda kurukisheni uko kwaive nemabhucha
aitengesa nyama. Vakatenga nyama nehuni. Pashure vakab va
vaenda kwaTM yaive paGovans vondotenga tenga tumwe
tunhu twavaida.

Page | 52
Munyaradzi aitevera kumashure kwana mainini vake
achisunda bhasikiti ravaiisa zvavaitenga. Aisunda neruoko
rumwe chete, rumwe achinyora mameseji paWhatsApp
avaipopoterana naBella. Akange ave kusvotwa ave kuneta
nekuramba achinzi auye kumuchato uyu. Akapedzisira
adzima nhare yake ndokuisa muhomwe.
Akasvika paive nemadoro, maWine nemaHwisky
ndokutanga kusarudza zvaaida. Aiziva shamwari dzake
dzese nezvavainwa.
“Munyaradzi…….. Shumba, how are you?” Munyaradzi
akanzwa ave kudaidzwa ndokucheuka. Vese vakatarisana
vachiongororana ndokuseka chaizvo vave kumbundikirana.
“Albert……. Can you believe kuti nhasi amai vangu vange
vachikutaurai. Kuti we were once one big happy family.”
“My brother!! Vari sei amai Shumba? Nesuwo taikutaurai
Svondo rese tichiti tichazokutsvagai. Takadzoka in Norton
this week. Tichiri kurongedza saka hatina kumbowana nguva
yekufamba.” Albert akadaro vakomana ndokuseka zvakare
vachibatana maoko.
Albert akatarisa mberi ndokuti; “Amai vangu naJoyce avo,
Joy my sister, you remember her?”
“She was a little girl, but now akatopedza Law Degree,
akawana basa kuChawatama and Zinyama Legal Practitioners
muHarare.” Albert akadaro ndokubata hanzvadzi yake ruok o
ndokuti; “Joyce do you remember Munya? Mamma, S humba
Munya mamuona here?”
Mai Kanengoni vakatambanudza maoko avo vachiseka
ndokumbundikira Munyaradzi; “Iiiiih mwanangu,

Page | 53
zvawangove murume mukuru….aaaah kuita ivo Murambwi
baba vako chaivo. Vari sei sahwira wangu?”
Munya akange oshaya zvekupindura, asi ziso raive kuna
Joyce. Akange akura, uye anaka zvakashamisa Munyaradzi.
Vakambopindurana mibvunzo yekubatanidza nyaya dzese
kubvira pavange vasiira. Pashure Munya akazoti; “Tiri kuita
braai nhasi kumba. Please muuye mese, amai vachafara
chaizvo nhasi.”
“Sure why not? Nesuwo taingoverengera kuzokuonai.
Uvaudze amai kuti tinouya.” Mai Kanengoni vakadaro.
Albert naMunya vakapanana nhamba dzenhare ndokubva
vaparadzana vamwe nevamwe voita zvekwavo.
Masikati aya, mhuri mbiri idzi pamwe chete nevamwe
vechidiki vakange vakura vese muNorton vakasangana
pamba pamai Shumba. VaKanengoni vakangopfuura nepo
ndokusiya mhuri yavo ndokuenda kwaive nevamwe
vavaiziva muNorton umu.
Mai Kanengoni namai Shumba vakafara kuonana
nekutaurirana zvakawanda zvakange zvaitika muupenyu
hwavo kubvira pavakaparadzana.
Mainini Connie namainini Jane vaive neshamwari dzavo
uye ndivo vaimhanya mhanya kuona kuti munhu wese ane
chekudya nekunwa.
Albert akafara kuona vakomana vaakange akura navo
muNorton. Vese vaive nezvakawanda zvekutaura.
Munyaradzi naJoyce vakabva vawana mukana wekuve
vese, kana pakapera zvekunwa, vakaenda vari vaviri
kundotenga zvimwe. Pakazodoka zuva vanhu vese voenda,

Page | 54
vaviri ava ndovakaparadzana vachada kuve vese. Kana
pakazobva vanhu vese pamba apa, aingove mafaro chete.
“Inga Joyce akura, aive mwana mudiki pavakabuda
muno.” Mai Shumba vakadaro. Munyaradzi
akangonyemwerera ndokuramba akanyarara.
“Anoiteiko ndaona maswera mese?” amai vakabvunza.
“Ndi Lawyer mamma. Chawatama and Zinyama vane
maOffices avo just opposite pangu paye.” Munyaradzi
akadaro akanyemwerera.
Amai vakaramba vakatarisa mwanakomana wavo vakaona
kufara kwaive mumaziso ake. Kwakavarangaridza baba
vemwana uyu apo vainge vakafara vari murudo.
Vakanyemwererawo vakati vaizoona kwaiwira tsvimbo
nedohwe.
Munyaradzi akazoenda kundorara pave paya, akatora
nhare yake yaive pamagetsi ndokuibatidza. Zuva rese akange
asina kumboitarisa kubvira paakange achinjana mashoko
naBella.
Paakangotungidza nhare, makapinda matsamba akawanda
chaizvo uye mifananidzo yekumuchato yakange yatumirwa
naBella. Haana kupindura izvi asi kutonyora kuna Joyce
achimuti arare zvakanaka. Izvi hazvina kupindurwa usiku
uhwu. Mukomana akabata nhare yake achida kufona kuti
anzwe inzwi raakange aswera naro kekupedzisira pazuva iri,
asi akazeza. Akasiyana nazvo ndokurara.

Page | 55
CHITSAUKO 06

Pamavhiki ese akatevera, Munyaradzi akange opedza


nguva yakawanda naJoyce. Sezvo pavaishanda paive padyo
napadyo, vaipedza nguva yakareba vari vese. Kupera
kwevhiki yega yega, Munyaradzi akange oenda kumba
kwaamai vake kuNorton. Sezvo vaiwirirana semhuri dzese,
vekwaShumba nevekwaKanengoni, kushanyirana kwavo
kwaisanetsa. Munyaradzi aindoswera kumba
kwavaKanengoni, uye Joyce aiuya votandara vese kumba
kwamai Shumba.
Bella Matongo akange asina mufaro, kubva paakabva
kumuchato wemukoma wake, haana kuzowana nguva
yekutaura naMunyaradzi. Paaimushanyira kubasa kwake,
aiwana akabatikana nebasa kana kuti aibuda achiti ari
kudzoka obva aenda zvachose. Akatanga achimbonyararawo
achida kuti murume ambonyengerera asi zvakazoshaya basa.
Mushure memwedzi mitanhatu zvakadaro, Bella
akazoshingirira ndokuenda kuhofisi kwaMunyaradzi.
Akawana arimo nemadzimai nevarume vaishanda paBe-
Secure Company. Vese vaimuziva vakamukwazisa
ndokubuda muhofisi maShefu wavo.
“What’s going on nhai Munya? You don’t return my calls,
you don’t reply messages. Zvamboita sei?” Bella akadaro
asina mufaro.

Page | 56
“I am tired sha. Tingaite relationship yekungorwa here
everyday?” Munyaradzi akadaro.
“Ooooh really? Anofanira kutsamwa ndiwe here kana
inini? After embarrassing me kumuchato wekumba kwedu,
you still accuse me of zvinhu zvisina maturo kudaro?” Bella
akadaro neshungu. Akange asina kutarisira zvaakange ave
kuudzwa apa. Aitarisira kukumbirwa ruregerero
nekusuwiwa sezvo nguva yange yareba.
Munyaradzi akaramba akanyarara. Musikana akawedzera
hasha. Dai kuri kare angadai akabuda apa achiti; ‘Kana
wondida unoziva kwauchandiwana.’ Asi akaona kuti akabuda
vasina kupedzerana mukomana aisazotevera zvachose.
“Ok, tell, me. Ndofanira kuita sei kuti tigadzirisane.” Bella
akadaro.
“Find someone else anoita zvaunoda izvozvo. Between me
and you, it’s not working.” Munyaradzi akadaro.
Bella akaseka ndokuti; “Since when uchitsamwa kwenguva
yakareba so? Ok, ndiri kuuya kumba kwako nhasi. And I will
cook a hearty meal. Your favorite spaghetti bolognaise, then
totaura nyaya iyi zvakanaka tisiri kubasa.”
Munyaradzi akambofunga ndokuzoti; “No, you don’t
understand Bella. I am serious. Find someone else.”
Bella akabva ati; “Don’t be petty. Unoziva kuti tingadai
tave kutoronga muchato wedu. Sisi vangu vaiti we should get
married kuti all these fights apere.”
Munyaradzi haana kutirimuka. Akabva atoti; “Bella listen
to me. Imbonditererawo…..”

Page | 57
Bella akaona kuti Munyaradzi akange asiri kutamba
ndokupeta maoko akagara pachigaro change chakatarisana
naMunyaradzi oterera. Murume akambofunga achizeza
kutaura ndokuti; “Bella, you are a beautiful woman. A good
one and every man’s dream. Zvekuti urambe uchitambisa
nguva neni tichingotonga twunyaya twusina basa so, I don’t
think it’s healthy. It’s unfair to both of us.”
Bella akange anyarara akaterera zvaitaurwa
naMunyaradzi. Akange asina kumboona mukomana
akasunga kumeso seizvi pese pavaitaurirana. Nguva zhinji
musikana aiuya achipopota, mukomana oseka seka kana
kukumbira ruregerero nyaya yavo yobva yapera. Asi musi
uyu, Munyaradzi aiita seari kutaura nemumwe wevashandi
vake vana mahobho vepaCompany yake.
Munyaradzi akambofemedzeka achifunga zvekutaura
ndokuti; “Ndiri kundoroora next weekend…..”
Bella akambonyarara, akanyemwerera ndokuti; “Ndinenge
ndaudza vana tete vangu riini? And ndiwe here unovapa date
or vana tete vanondoudza vana baba then vokupa date ravo?
Hoo ndosaka wange wakanyarara nguva yese iyi, you wanted
to surprise me.”
“Ndiri kundoroora someone else asiri iwewe.”
Munyaradzi akadaro ndokutsikitsira.
Bella akaseka kwainge kugomera, vakatarisana mukomana
ndokunzvengesa maziso ake.
Bella ndokuti; “Unotonyarawo nhai? Look me in the eye
iwe Munyaradzi Shumba udzokorore zvawataura. Ohoooo

Page | 58
ndosaka kusanditsvaga pese apa nekuti you have been
cheating? Cheating kusvika pakundoroora are you serious?”
“It’s been six months Bella, takaparadzana for six months
after your cousin’s wedding and ndakange ndakuudza kuti
this relationship is not working.” Munyaradzi akadaro.
“Six months wotoroora munhu asi wakaita four years
neni? Asi unondishura?” Bella akadaro matama ave kuhuta
neshungu. Munyaradzi akaramba akanyarara.
“Who is that girl? Ndiani iyeye wandisina kumboona kana
kunzwa nezvake?” Bella akabvunza.
“You don’t know her, she is my childhood lover. Takak ura
tese. We were family friends.” Munyaradzi akadaro.
Bella akapererwa ndokumbofunga zvakare, aive
nezvakawanda zvaaida kuziva. Asi kuramba achibvunza
kwakamurwadza, aisada kunzwa Munyaradzi achitaura
zvakanaka kana zvekuda kwaanoita mumwe mukadzi asiri
iye.
Musikana akaita dzungu ndokungosimuka ofamba
achibuda muhofisi umu. Munyaradzi akasarawo akanyarara
achishaya chekufunga. Paakange aita mwedzi miviri
asingataudzane naBella akabva afunga kuti kana iye
musikana akange aneta nekurwa kwavaiita.
Joyce Kanengoni akange amuvaraidza akanyura murudo
zvakanyanya zvekuti akakanganwa zvimwe zvese. Musi uyu
akange asina kugadzirira nhaurirano yavo, Bella akange
amushamisa. Kumba kwavo kwaShumba, hama dzese
dzakange dzave kuziva Joyce. Vabereki vese vakaita
sevakange vangomirira kuti vaviri ava vachate. Kunzwana

Page | 59
nekuwirirana kwaive pavabereki ava kwakaita kuti vaite
sevakange vazvarira vana vavo kuti vawanane.
Joyce naMunyaradzi vakadanana kwemwedzi mitanhatu,
roora ndokuunganidzwa, mazuva ekundobvisa roora
nekugadzira muchato akarongwa pasina nguva. Vese vaifara,
vana nevabereki vavo.
Bella akabuda muhofisi maMunyaradzi ndokunanga
kumba kweshamwari yake yaigara pamaFlats aive padyo
neMontagu Centre. Akangosvikorara pasofa
ndokumbonyarara akadaro.
Sahwira Linah ava vaiita semukoma wake sezvo vakange
vakasiyana nemakore matanhatu ese.
Sevanhu vaiwirirana uye vaigara vari vese, Linah haaana
kutarisa zvaiitwa naBella. Akaramba akatarisa paTv pane
zvaaiona uye ari panhare yake. Aiziva Bella achiti akapinda
mumba umu anonanga kundovhura Fridge otsvaga
chekunwa, obata bata achitsvaga zvitsva kana zvaasingazive.
Apa Linah akashamisika achingorara pasofa akazvivhara
kumeso neCushion raivepo.
Linah akambotarisa sahwira wake achiramba akanyarara
ndokuzoona zvanyanya ndokuzoti; “Ko hanziiko naMr Right
vako. Ko haana kukuperekedza nhasi sei?”
Bella haana kupindura, akamuka ndokugara pasi, akaedza
kushama muromo kuti ataurire sahwira wake zvakange
zvaitika ndokubva aridza mhere misodzi ichizara kumeso
kwese. Linah vakambofunga kuti kutamba ndokuzoona kuti
Bella aichema zvechokwadi.

Page | 60
“Nhaiwee ndianiko afa? Waita seiko nhai Bee?” Linah
akadaro achindogara padivi paBella omunyaradza. Vakaita
nguva vangonyararisana Bella achingosvimha misodzi.
“Nhai Bee hauchindiudzawo? Hana yangu yave kurova
zvisingaite.” Linah akadaro zvakare.
Bella akazotarisa shamwari yake ndokuti; “Munya ari
kuroora next week sha. Munya ari kundoroora mumwe
musikana ini ndakangomumirira……”
“Aaaaaah, why? Inhema chete. Wazvinzwepi?” Linah
akabvunza.
“Ndiye ega atondiudza kuti relationship yedu haichaita I
must move on and iye he has moved on.” Bella akazodaro ave
kugara pasi ndokutora katauro kekugezesa kumeso kaakange
atambidzwa nasahwira wake. Akapukuta kumeso kwake
ndokuti; “But sha wakambondiudza kuti this time tagarisa
takanetsana. Dai ndakakutererai ndakamuendera kare kare.”
“At least you remember. Wakamboona murume anotadza
kunyengerera gerofurendi mwedzi wese? Imi maimboia all
weekends mese. Zvaive obvious kuti pane akange atora
nzvimbo yako asi wakandiita bharanzi. Sorry shame
akakujairira.” Linah akadaro.
Bella akatarisa shamwari yake nemaziso aive nemisodzi
ndokuti; “Ndoita sei nhai? After next weekend anenge atove
nemukadzi mumba.”
Linah akambofunga ndokuti; “Tinoendako musi
wavanoroorana wacho. Tondonzwisisana munhu wese
aripo.”

Page | 61
Bella akashama muromo ndokuti; “Zvinogondibatsirei?
Anyatsotaura kuti haachada relationship yacho. Saka nhai
ndomanikidza munhu atove kundoroora?”
Linah akaseka ndokuti; “Iye musikana wacho ari kuroorwa
anokuziva here?”
Bella akadzungudza ndokuti; “Hameno, inini
handimuzive. Ko tingazivanirana chii nhai tete.”
Linah akaridza tsamwa ndokuti; “Problem yako waiona
sekuti Munya anokuda stereki zvekuti haana mumwe
waachaona. Hona akaenda iwe uchingozvida uchiti hauitire
murume zvakadaro.”
Bella akatsikitsira achirwadziwa nezvaitaura tete vake asi
asina zvekuita nazvo.
Linah akabva vati; “Ngavatangewo imba yavo mukadzi
wake achiziva kuti uriko. Kwete kuti vanyanyofara iwe
uchichemaka. Kamukadzi kacho kangatozofunga kuti Munya
is perfect.”
Bella akaseka kunyange maziso ake akange achakatsvuka
nemisodzi yekuchema. Linah akasekawo ndokuti; “But
seriously, sorry hako. Takazvinonokera. Chete tange tajaira
kuti Munya anombonyarara a month or two ozouya
nemaruva. Manje heeey. Zvakaoma wena.”
Vese avakambofunga, Linah ndokuita sepane zvavakange
vafunga ndokuti; “Nhaiwe, wakati Munya akarambirei kuuya
kumuchato waTsitsi cousin yako?”
Bella akapukuta kumeso zvakare ndokuti; “Akangoti last
minute aive busy. Ndokuzoti aisada kuonekwa nehama
dzese.”

Page | 62
Linah akasimuka ndokudira mazoe avo vese achiti; “Ndipo
pamakange mabva kunetsana netunyaya twenyu
twusingaperi. But ndoona sekuti ndipo paakange anyatsoona
kuti haachada nezvako.”
“But why wadaro?” Bella akadaro achirwadziwa.
“Akanyara kuzoona vanhu vese iye ave kuziva kuti deep
down haachada nezvako. At least ane respect. Imagine dai
makauya mese then a week after okuramba. Waizoti chii
kuhama dzese dzainge dzakamuona pamuchato. Imboko iri
nane.” Linah akadaro ndokuseka.
“I know sha, Munya is a good guy. Lucky is his wife.
Munya ane respect nevanhu zveshuwa.” Bella akadaro
achikungura.
“Saka makanetsanei kana uchiziva zvese izvozvo?” Linah
akada kuziva.
“Maybe kunyanya kujairirana. And four years dzange
dzawandisa pasina kuronga marriage.” Bella akadaro.
“Aigorongerei marriage iwe wakazviita mukadzi wake
wemahara? Waienda kumba kwake wondoita svondo rese
uchibika, kusuka kuwacha nekubikira shamwari dzake
vachiona bhora saka ndiwe wakaita hijack hubhachura
hwake. Aigoroorerei?”
Bella akarembedza miromo achifunga chokwadi chaive
mumashoko asahwira wake.
Vatete vakaenderera; “Apa bonde achiita madiro
kutopfuura vakabvisa mombe. Ndiwe wakaita kuti ave
relaxed, hapana reason yekukuroora yawakamupa.”

Page | 63
Bella akabva ati; “Aaaaah, dai ndakaregazve ndipo
pandaizowana kumba kwake kwave nemumwe anomupa
zvese zvandinenge ndaramba kumupa. Saka iye musikana
akaroorwa in six months haana kumbonorara kumba
kwaMunya here?”
Linah akaseka chaizvo ndokuti; “Asi une point. Vamwe
vakadzi vari kurambirwa kuzviita wife weboyfriend.
Anongoneta newe osiya ondoroora mumwe. Vosara
vachichema kuti inga ndaimuitira zvese wani.”
Linah akawedzera mazoe mugirazi rake ndokuti;
“Vamwewo vagorambirwa kuramba zvese zvese. S aka
zvinoda varume vacho haungazvigone. The struggle is real
my dear. Vakadzi nhamo dzedu dzinotoda Jesu omene.”
Bella akadzungudza ndokuti; “But Munya aisafanira
kudaro. Zvinotorera munhu four years kuziva kuti handikude
here? Like you are saying, vanhu vakawanda vaitofunga kuti
ndiri mukadzi wake. Ndichapfimbwawo nani zvangu ini
ndichizikanwa samai Shumba. Asi vaShumba vacho
vachigara nemumwe mukadzi.”
Linah akagutsurira ndokuti; “Ipapo ndoinonzi witchcraft
yevarume shamwari. Dzese dzese dzawaitamba pamubhedha
paMunya, kasikana ako kowana ave expert iwe waiitiswa
practice? Haiwawo, musi wavanobvisirana tinombondodira
jecha mbichana. Vangatofunga kuti maSuper human.” Linah
akadaro Bella ndokuseka matauriro asahwira wake. Asi
shungu dzaaive nadzo aibvumirana navo.
Vakambonyarara vese, Bella ndokuzoti; “Asi ndikafunga
kuti Munya pese paanenge achindiona anenge asingachada

Page | 64
nezvangu ndinorwadziwa ini. Neniwo handichada kana
kumuona.”
Linah akaridza tsamwa ndokuti; “Ihasha chete idzo.
Ndinotoda kuti tiende tinovashura musi wavanoroorana kana
musi wemuchato chaiwo. Ndokuti munyatsovengana chaizvo
chaizvo. Nekuti nedzungu rako rekumuda iri, ndiri kuona
pamberi apo, paanodzoka kuHoneymoon akakudaidza
unoenda iwewe. Ukabvuma kuita small house yaMunya
ndinokurova neshamhu chaiyo.”
Bella akange agara akabata musoro nemaoko ese.
Akangodzungudza achipererwa. Kunyange aida kuita zvese
zvaitaurwa nasahwira wake uyu, iye aizonyanyotarisa
kumagumo kwazvo, kuti zvimubatsirei. Zvaisamubatsira
kudzokerana naMunya, asi kutowedzera kumuita mukadzi
akaipa kuvanhu vese vaiziva nezvekudanana kwavo. Sahwira
ndozvavakange vati aifanira kugadzira ruvengo pakati pavo
kuti akwanise kenderera mberi neupenyu hwake.
Bella akambofunga ndokuti; “Ndave kundoudza hangu
boss kuti ndave kuda transfer iya ndiende zvangu
kuBulawayo. Ndakagarirei muHarare.”
“Hezvoooo, rega timboita week rese tichiona mafambiro
azvo. Tozofunga kuti todii pfungwa dzambodzikama.” Linah
akadaro aona kurwadziwa kwemumwe wake.
Bella akangogutsurira ndokubata bata nharembozha yake
achitarisa kuti zvimwe Munya atumira meseji asi pakange
pasina.
Linah akabva ati; “It’s fine Bee, zvinoita right. Wako chaiye
achauya.”

Page | 65
Bella akadzungudza ndokuti nezevezeve; “Riini? Riiniko
nhai?”
“Izvozvo hatingazive usati wazvipa mukana. Now that
Munya aenda rega tivhare nekukiya door iroro tione mamwe
anovhurika. Kuchema kwese uku kuchapfuura.” Sahwira
vakapedzisira vachidaro vachinyaradza mumwe wavo.

Page | 66
CHITSAUKO 07

Mazuva akamhanyidzana kwakange kwapera makore


maviri kubvira pakasiyana Bella Matongo naMunyaradzi
Shumba. Munyaradzi akange aroorana naJoyce zvakafadza
vemhuri dzavo vese. Vaviri ava vakatanga imba yavo vari
murudo zvakanyanya. Vakange vatanga imba yavo vadanana
kwenguva pfupi asi izvi hazvina kupedza rudo rwavo.
Vaigarotaura nezvazvo vachitandara mumba mavo kuti
rwavo rudo rwaive mumupanda warwo rwega. Munyaradzi
akange awana zvaaida chaizvo. Haana musi waakademba
kuti dai akaroora Bella. Joyce akaita mukadzi aive muzviroto
nemukufunga kwaMunyaradzi. Zvaakange arambanirana
naBella, zvenharo negakava musi nenguva, zvakange zvisipo
pana Joyce.
Zvirokwazvo Joyce akave pfupa remapfupa ake sekutaura
kwaiita Bhuku dzvene. Pamakore maviri avakagara vese,
vakange vafara nekufadzana mumba mavo, asi gore rese
rekutanga vakange vashaya mbereko. Ivo vari vaviri vakange
vasina hanya nazvo.
Apo vakasvika mugore repiri pasina mwana, veukama
vekumativi ese vakatanga kubvunza bvunza. Kana ivo
vanyakuchata vaviri ava, ndipo pavakatanga kushushikana
nazvo.
Wakange uri musi weMugovera apo vakafunga
kushanyira vabereki vavo kuNorton. Pese pavaienda
Page | 67
vaingoenda kumisha yese, vaiswera kwaKanengoni
vondorara kwaShumba, musi weSvondo vofuma
vachidzokera kwavo kuGreendale Harare.
Mai Kanengoni vakange vasina mufaro kuona
mwanasikana wavo. Musi uyu vakange vachida
zvekumbotaurazve naye saamai nemwana kuti vagadzirise
dambudziko rembereko mumba make. Vakange vozeza kuti
mukwasha achazondovhima kunze kwemusha. Nerudo
rwavaiona mumba mevaviri ava, vakaona kuti zvaizorwadza
mwana wavo zvakanyanya.
Saamai vaida kubatsira mwana wavo, vakange vabvunza
bvunzawo vamwe vakaudzwa vaibatsira panhau idzi
vakasiyana siyana. Vakange vazviudza kuti vaisaziva
chakakodza nguruve saka vaizoita zvese, n’anga dzinouchika,
pasowe vaizopfuura nepo zvakare, uye kuvafundisi
vaindobatsirwazve. Vakange vataura nemwana wavo
panhare akavaudza kuti musi weChishanu, kubvira zuro
kwacho, vakange vachizondoona chiremba wavo.
Munyaradzi naJoyce vakange vaenda kwachiremba wavo
aizoedza kuvarapa. Pavakazotaurazve manheru, Joyce akange
aramba kuudza amai vake zvakawanda kunze kwekungoti
aizouya orondedzera nyaya yese pavaizoshanya Mugovera
mangwanani.
Amai vakange vasina kurara zvakanaka vachifunga kuti
mwanasikana wavo akange anzi ane chirwere rudziiko
chaimutadzisa kubata pamuviri.
Munyaradzi naJoyce vakasvika kuNorton kumba
kwavabereki vaJoyce ari mangwanani. Vese vaifara

Page | 68
zvakashamisa vabereki, uye havana kupedza nguva vasati
vataura nyaya yavo.
Joyce ndiye akati; “Amai takaenda kwaDoctor nezuro.
Taida kuitwa all tests tigotanga fertility treatment asi
zvakagumira munzira.”
Munhu wese akange aterera mumba. Munyaradzi
akanyemwerera achibata mudzimai wake ruoko ndokuti; “Joy
ane pamuviri, 6 weeks now.”
Mai Kanengoni vakaridza mupururu vachifara
zvakanyanya. VaKanengoni vakanyemwerera vachitura befu
vakatarisa mwanasikana wavo.
Joyce akaseka amai vake ndokuti; “Mamma nhai, kuzoti
musi uchazvarwa mwana mucharidza mhururu yakaita
seiko?” Vese vakamboseka kwekufara nekupembera.
Munyaradzi navaKanengoni vakambobuda panze baba
vachibata bata motikari yavo.
Amai nemwana vakasara vega voudzana zvenhumbu,
vacheche nekuyamwisa. Mai Kanengoni vakataurisa nekuda
kwekufara kwavakange vaita. Vakange votoona sekuti
muzukuru wavo aizouya zuva raitevera.
Apo zuva rakange rodoka, vakabva vaenda kumba
kwamai Shumba sezvo maingove muNorton makare. Amai
nemuroora wavo vakafara chaizvo vachiudzana zvenhumbu
nekurasa rukuvhute rwemucheche. Mai Shumba vakaenda
mumabhokisi aive mune imwe imba yavaisanyanya
kushandisa. Vakandobuda nema Photo Album maviri aive
nemifananidzo yemhuri yavo.

Page | 69
Vakaratidza Joyce mifananidzo yaMunyaradzi nababa
vake yaive umu kubva achikura. Munyaradzi akafara
nekushamisika zvese nekuti pakange pave kana nemakore
gumi asina kuona mifananidzo iyi.
Vaviri ava vakazodzokera kuHarare pazuva rakatevera,
Svondo, zuva rodoka ari mafaro chete chete. Mai Shumba
vakange vanyaradzwa pakusiiwa nemurume wavo. Kuroora
kwaMunyaradzi, nekutarisira muzukuru wavo kwakavapa
tarisiro yehumwe hupenyu.
Apo nhumbu yakange yave nemwedzi mina, Joyce
akatanga kurwara rwara zvisingaperi. Kubasa kwaaishanda
saGweta, aienda mazuva maviri pasvondo, mamwe matatu
aitadza ari kwachiremba, ari muchipatara kana kuti akarara
kumba.
Zvakaitika kwemwedzi wese, Munyaradzi ndokuzoona
kuti sababa vemhuri aifanira kuona zvekuita nemhuri yake.
Kutarisa mudzimai wake achirwara achishanda nepamuviri
kwakamushungurudza.
“Nhai sweetheart, why don’t you take an unpaid leave?
Stay at home from now till baby akura, even 3 months old.
Just a suggestion…… after all hausi kuenda kubasa kwacho
zvakanyanya. Just make it official, unenge wabatsirawo even
your colleagues. Nekuti now havazive kuti Advocate Joyce
varipo here kana kuti havapo.”
Joyce akaseka ndokuti; “Nyangwe ndisingade
kuzvibvuma, you are very right. Ndinosvika ndopiwa cases to
work on, only kuzoshaikwa vhiki yese. Hazvina kunaka.”

Page | 70
Munyaradzi akagadzirisa dutu rezvekutsamira rakange
rakatsigira musana waJoyce. Mukadzi akambofinyama
achiedza kugara zvakanaka ndokuzoti; “Saka ndoswera
ndichiitei? Kugara mumba ndega ndega.”
“Now that tiri kubvumirana, I have a few suggestions.”
Munyaradzi akadaro ndokubva vese vambobata padumbu
pakange popfura pfura munhu aive mukati achishiringinya.
Munyaradzi akambotsvoda mudzimai wake ndokuti;
“Inini ndichashandira kumba zvakanyanya. Ndongoenda
kuOffice kana paine zvakakosha zviriko. Then hausurukirwi
wega. Nguva ichifamba, find a hobby wakazorora zvako.”
Joyce akanyemwerera akabata kumeso kwemurume
ndokuti; “Pane zvandiri kufunga. Ndoda kugadzira bedroom
yababy. Toita room make over, painting, furnishing
nekutenga zvese zvese zvemwana. That will be exciting while
we wait.”
“Brilliant idea my love. Let’s do that.” Munyaradzi
akadaro ndokubva varovana maoko.
Sekutaurirana kwavakange vaita, mazuva ese aitevera
akave ekugadzira mumba maizove memwana wavo. Vese
vakange vasina hanya nazvo kuti aizove musikana here kana
mukomana. Vaingofara kuve nemwana, aizove ruva
remuchato wavo.
Mushure memwedzi miviri mumba memwana makange
mave nemibhedha miviri, kadiki kehucheche uye m uhombe,
netumwe twakawanda wanda twemwana. Izvi zvaibvira pane
zvekupfeka, zvekutambisa nezvimwe zvavaiona mumabhuku
evana.

Page | 71
Musi wavakashanyirwa nanaamai vavo, Joyce
akavaratidza mumba umu chembere dzikashamisika
negadziriro yakadai. Asi hapana zvizhinji zvavakataura sezvo
vakaona kuti vaviri ava vaigadzirira mwana wavo murudo
nemukuwirirana. Kana kushungurudzika nekurwara
kwaJoyce kwaivepo kumhuri dzese vakaona kuti kuswera
achishanda mumba maizorara mwana umu kwaimuporesa.
Kana ivo vana mbuya vakawirirana vari vaviri,
vachibatsirwa naMunyaradzi uye neshamwari dzaJoyce,
ndokuita mutambo wekutarisira kuuya kwemwana, uya
unonzi Baby Shower.
Mutambo uyu wakaitirwa kumba kwavamwene mai
Shumba. Joyce akangozotaurirwa musi wacho kuti mutam bo
waizotanga munguva pfupi yaitevera.
Pakange padaidzwa madzimai echikuru akawanda sezvo
wakange warongwa nanambuya vemuzukuru. Shamwari
dzaJoyce vaive vashoma zvikuru. Vakaswera vachidya,
kutamba nekuseka semadzimai. Asi chikuru chavakaita
kwaive kuraira nekudzidzisa amai vechidiki ava kurera
mwana uye kuzvichengeta ivo pamazuva ekusununguka
kwavo. Mumwe nemumwe mudzimai aive neshoko
rekugoverana nevamwe pane zvaaiziva pakurerwa
kwemwana. Uye vamwe vaiyeuchidza kuti mwana asatore
nzvimbo yababa mumba umu.
Joyce akadzidza zvakawanda. Uye vamwe vese vaivepowo
vakadzidzisana nekuyeuchidzana marererwo emwana
chaiwo. Zuva rakadoka madzimai vari pakati pekufara
nekutandara.

Page | 72
Apo vanhu vese vaenda, Joyce akasara namai vake
navamwene vake vave kuvhura mapasuro emwana ese
vachiona nekuyemura zvakange zvatengwa nemasahwira
avo.
Mai Shumba vakati kuna Joyce; “Tinoziva pane shamwari
dzako dzakawanda dzatisina kudaidza patakakurongera
mutambo uyu. Asi tada kuti umbodzidziswa nevechikuru.
Kana mwana azvarwa, uchazvirongera zvese zvaunoda
toitazve mumwe mutambo.”
Joyce akaombera maoko zvakare ndokuti; “Ndinotenda
zvakare vana mbuya vemuzukuru. I had a very good day.”
Joyce akafemedzeka achiedza kugara zvakanaka, amai
vake vakasimuka ndokumubatsira kutandavara makumbo
pasofa, vamwene vachiisa zvekutsigira musana.
“Mazuvana ndiri kunyanya dzungu. Ndinotombodzima
chaiko.” Joyce akadaro achinyemwerera.
Amai vake vakabva vati; “Ndakakutsvagira munhu
wekugara naye, amai vechikuru hanzvadzi yaMufundisi
Takaendesa vekuPentecostal church iya iri kwedu kuKnowe.
Vanouya mangwana. Ndakati vauye mangwanani chaiwo
kuti vasvikire kuno mugoenda navo tese tambovaona.
Vanobva kwaMurombedzi ndokumba kwavo.”
Joyce akatenda chaizvo. Akange ave kuda munhu
wekugara naye nguva dzese kumba kwake.
“Ko Pastor Takaendesa vekuLiving Faith Pentecostal
Church makavazivirepi imi mese muchienda kuMethodist?”
Joyce akadaro achiseka amai vake.

Page | 73
Mai Shumba vakabva vati; “Masahwira edu avo.
Tingasaenda zvedu kuchurch kwavo asi panoitwa minamato
tinoita tese semadzimai. Kudzinhamo tinosangana zvakare.”
Pazuva rakatevera, mai Kanengoni vakadzoka pamba
pamai Shumba achiri mangwanani. Vakange vaine muenzi
wavo akange achizoshanda mumba maMunyaradzi naJoyce.
“Ava nditete mai Ngoni ava, Joyce. Ndovauchandogara
navo kusvika wasununguka uye vachazokubatsira
kuchengeta mwana kana azvarwa.” Mai Kanengoni vakadaro.
Vese vakazivana nekubvunzana mufaro. Hapana zvizhinji
zvavakataura musi uyu, ndokuenda vese kuGreendale kumba
kwamai nababa Shumba vechidiki ava.

Page | 74
CHITSAUKO 08

Mai Ngoni vakandotanga kugara naJoyce naMunyaradzi


kumba kwavo. Zvishoma nezvishoma, Joyce akavadzidzisa
zvaaitarisira mumba make. Ivowo semunhu mukuru vaiona
kurwara nekutambudzika nenhumbu kwaiita amai vechidik i
ava. Vakamubatsira zvakanyanya. Uye vakawirirana zvekuti
Joyce aitoenda navo kwachiremba wake paaindoonekwa.
Apo vaiswera vese, Joyce achizvitora mifananidzo ari
mumba maairongedzera mwana wake, vakaita masahwira
makuru. Nemumwe musi Joyce akazoti; “Nhai tete, ko Ngoni
wenyu watinongodaidza ari kupi?”
Mai Ngoni vakange vane nhoroondo pamusoro paNgoni
wavo; “Ariko kumba. Ari Form 4 iyezvino. Inini handina
kumboita mwana. Ngoni mwana wemunin’ina wangu ari
kuSouth Africa. Akaita nhumbu ari pamba, akaramba kutaura
zvachose kuti inhumbu yaani. Paakasununguka kabva atiza
achisiya mwana. Ndichibva ndachengeta. Iyezvino
akatoroorwa zvakare. Murume wake haazive nezvemwana
uyu. Kana isu veukama takanyarara nyaya iyi nekuti
takafungira kuti mwana uyu baba vake ndeveukama saka
tikanyanya kuzvitsvaga tingaparadza mhuri. Chikuru
kufema. Ngoni mwana akave chikomborero kwandiri chero
pandakarambirwa mbereko.”
Joyce akaterera nenzeve dzemoyo. Akafunga zvese
zvaaiitirwa namai Ngoni ava, nemari yavaivapa. Akabva ati;
“Ndoda kukutendai nekundichengeta. Kubasa kwedu kune
Page | 75
School Fees scheme. Kana akapasa form 4, achabhadharirwa
zvese kusvika kuUniversity. Mundipe Birth Certificate rake
ndiendese kuOffice.”
Mai Ngoni vakapfugama pamberi paJoyce nemisodzi
pamatama ndokuti; “Mwari vanosimudza marombe kubva
muguruva. Ndokutenda nei nhai mainini Joyce. Wandionei
kundipa makomborero akadai.”
Joyce akanyemwerera ndokuti; “Inga imimi muri pano
kubatsira kuchengeta mwana wangu asati azvarwa. Tiri vana
amai tese, and tabatsirana kuchengeta vana vedu. Nekuitirana
mumwe nemumwe zvaasingakwanise ega.”
Joyce akabva avhura computer yake ndokuvhura mafaira
ebasa ndokutanga kunyora nyora zvaidiwa pamapepa
evanhu vaipiwa mari yechikoro nekambani yemagweta iyi.
Akabva atumira Email, ndokufonera Advocate Zinyama
ovaudza nezvaNgoni. Vakatambira mapepa aya vakati
vaizomirira kuuya kwaamai nemwana ava nezvitupa zvavo.
Mai Ngoni vakafara. Kana pavakanamata usiku uhwu,
vakakumbira simba kuna Mwari kuti vakwanise kuzodzorera
rudo urwu kuna Joyce. Musi uyu vakanyora pasi pemwoyo
wavo kuti vaizorarama vachifunga zvavakaitirwa
nemudzimai wechidiki uyu.*******
Munyaradzi akasvika pamba pake zuva rodoka. Akawana
tete mai Ngoni vari mumba mekubikira uye mudzimai wake
Joyce akarara. Haana kuda kumumutsa akabva adzokera
kumba yekubikira kwaive namai Ngoni mushandi wavo.
Akandosvika ndokuzvidirira mvura yekunwa ndokumira
mira mukicheni umu.

Page | 76
Mai Ngoni vakange vogadzirira kubika zvekudya
manheru, vakatanga kubata bata zvishoma vachida kunzwa
kuti murungu wavo aiti chii. Munyaradzi akazoti; “Ari sei
mudzimai wangu nhai tete? Ndotobvunza imimi ndimi
munoswera naye.”
“Ah nhai babamudiki, munoti nhumbu hurwere here?
Amainini vari right ava. Handiti tave kutoverenga maSvondo
mashoma shoma kuti mwana auye muno mumba?” mai
Ngoni vakadaro.
“Kana madaro henyu kuti nhumbu hausi hurwere, nekuti
eish, kana atanga kurutsa ndinobva ndatya.” Munyaradzi
akadaro.
Mai Ngoni vakaseka ndokuti; “Nhumbu dzinosiyana
muchatoona kuti pamwana wenyu wechipiri zvekurwara
rwara izvi zvinogona kukurumidza kupera.”
Vakambonyarara vese mai Ngoni ndokuzoti; “Asi………
ummm mainini havasi vanozvinyanya here? Ndoziva hangu
kuti madzimai akazvitakura vanonzi vataure nevana vavo
vachiri mudumbu. Asi mainini Joyce ….. hamenowo.”
“Ndiudzei tete.” Munyaradzi akada kunzwisisa.
“Imo mumba mamakati mubedroom memwana umo, kana
vasina kurara ndomavanogara. Kana kudya vanodyiramo.
Ukanzwa vachitaura unoti pane wavanaye. Mukamubhedha
kadiki mazara midhori. Ndizvo here zvazvinofanira?” Mai
Ngoni vakadaro zvakare.
Munyaradzi akambofunga ndokuzoti; “Ko izvozvo
zvakaipei nhai tete? Ndiamai nemwana vanenge vachitandara
zvavoka.”

Page | 77
Mai Ngoni vakakwidza mapipito ndokuti; “Ko kutora
mifananidzo nemaVideo svondo rega rega vachitaura
nemwana kuti nhasi wave 35 weeks mwanangu.”
Munya akambopererwa ndokuzoti; “It’s still fine tete.
Imagine mwana akura ave ne10 years tave kumuratidza all
photos and videos dzekukura kwake kubvira achiri
mudumbu. Inga zvakangonaka wani.”
Mai Ngoni vakangonyemwerera ndokuti; “Chete chave
chirungu. Zvakanakai bamunini. Tiri kuswera zvedu
tichitorana maVideo nemifananidzo mumba memwana.
Ndiyo nguva yandinoona kuti amainini Joyce vanenge
vachifara chaizvo.”
Munyaradzi akabva afamba achibuda umu ave kuenda
kwakange kwakarara mudzimai wake. Akandosvikomushaya
mumba mavo mekurara maange ambosiya ari. Imba yaitevera
yaive iyo yavakange vakagadzirira mwana wavo. Akabva
aendamo.
Akawana Joyce akagara pamubhedha muhombe waivem o
achinyora twutsamba twaaikanda mukabhokisi kaive padivi
pake.
Vese vakanyemwerera kuonana, murume ndokutsvoda
mudzimai wake pahuma achigara padivi pake. Munyaradzi
akatanga kutaurira mudzimai wake zvakange zvaswera
zvichiitika kubasa kwake. Aifara nekupembera imwe
Contract yaakange awana.
Akapedzisa achiti; “Anytime mwana wedu anenge auya. I
am glad vabereki vedu havana kutimanikidza kuita

Page | 78
zvekusungira. Ungadai wakambobva pano wave kundogara
kuNorton kwana amai.”
Joyce akaseka ndokuti; “Hautomboda kugara wega
Munya. But amai vachauya havo mavhiki ekupedzisira
emazuva angu. Iyezvino I am two weeks before my expected
date of delivery.”
Munya akambobata bata dumbu remudzimai ndokuzoti;
“Ko vari sei mai Ngoni?”
“Umm that lady is an angel, God sent. Kunge ndina amai
vangu muno mumba.” Joyce akadaro akafara chaizvo.
“I see, you guys makawirirana zvakanyanya.” Munya
akadaro.
“Yes, yes, ndaitozeza kuti kana tikasawirirana ndoti chii
kunana amai vakanditsvagira munhu wekugara naye.” Joyce
akazodaro.
Munyaradzi akasimuka ndotenderera mumba mese.
Zvechokwadi akaona kuti Joyce akange awedzera kutenga
zvimwe zvaaisaziva. Akavhura kabhokisi kaive padivi
ndokuona makazara twupepa twaive twutsamba. Dzaive
tsamba dzaiiswa zuva nenguva dzonyorwa manzwi erudo,
kutsanangura zvainzwa amai mumuviri mavo, zvese
zvairwadza nezvaivanakidza zvainyorwa.
“Ko izvi uri kunyorerei?” Munya akabvunza.
Joyce akanyemwerera achitambanudza twupepa twake
twaive nemarudzi akasiyana siyana; “Ndoda kuti mwana
wedu azoziva zvese zvaiitika, zvandaifunga ndine pamuviri
pake.”

Page | 79
“Ko unongozomuudzaka, do you really need to write
everything down? You have the fotos and videos too.
Ndezveiko zvese izvi?” Munya akadaro mupfungwa dzake
ave kunzwisisa zvange zvichirehwa natete mai Ngoni. Asi
akange asina chokwadi kuti mudzimai wake aizozvitora sei.
“Munya darling, inga ndiwe wakati ndigare pamba
ndichigadzirira mwana wedu whatever comes to my mind.
Ndozvandiri kuitaka.” Joyce akadaro achiseka.
Munya akaseka sekawo ndokuti; “It’s fine. Kana
zvichikunakidza.”
Joyce akabva ati; “Trust me, Munya, iwewe nemwana
muchanakidzwa nekuverenga zvese izvi nekuona the fotos
more than inini.”
Vese vakabva vasimuka, Munya ndokuti; “Let’s take a
walk, timbofamba around kunze kumugwagwa uko so that
you exercise. Wagarisa mumba iwewe.”
“Yes I love that, handei.” Joyce akadaro vachibva vabuda.
Vaviri ava vakafamba vakabatana maoko, vachitenderera
vachitevedza migwagwa yaive padyo neimba yavo. Akange
ave madeuka zuva vakawanda vave kudzoka kubva
kumabasa.
Kana pavakafamba vave kudzokera kumba kwavo, Joyce
akange onzwa kusimba uye asingacharemerwe nemakumbo
ake ayo aigara akazvimba.
Vakangoti vachisvika pagedhe pavo, Joyce ndokunzwa
seave nemabayo. Akaedza kufamba zvakare, mvura
dzemudumbu maive nemwana ndokudzatuka dzichiyerera
nemakumbo ake. Munyaradzi akasiya mudzimai wak e ipapo

Page | 80
ndokumhanyira mumba ondotora kabhegi kakange
karongedzerwa nguva yakadai iyi. Vakazobuda vese natete
mai Ngoni murume achimutsa motikari tete vachienda
pagedhe pakange pakamira Joyce. Pasina nguva vakange
vave pachipatara paive naChiremba wavo.
Joyce akandotambirwa nevakoti voenda naye kwaaifanira
kundosunungukira. Tete mai Ngoni naMunya vakasara
vakagara panze. Munyaradzi ndipo paakazowana mukana
wekufonera amai vake naamai vemudzimai wake. Madzimai
vakabatana kubva kuNorton voenda kuchipatara kwaive
nemwana wavo.
Muzukuru akange akurumidza kuuya pane zvavange
vakatarisira. Vakange vachiri kurongedza kuzomumirira
pavhiki yaitevera. Zvisinei, vese vakafara kuti nguva yavange
vakamirira yasvika.
Joyce aive mune imwe imba mavairindira nevamwe
madzimai vaviri vairwadziwawo nenhumbu asi vasati
vasununguka.
Mushure memaawa maviri, mai Kanengoni, mai S humba,
Munyaradzi natete mai Ngoni vakange vakagara vese
vakamirira nhau dzakanaka kubva kuna vanyamukuta.
Vaiseka vese vachiudzana nyaya dzekuzvarwa kwevana.
Mukoti akabva apinda mumba mavange vakamirira ndok uti;
“Mr Munyaradzi Shumba, handei kuDelivery room,
mudzimai wenyu ndokwaave kuenda now.”
Munyaradzi akasvetuka ndokutevera mukoti uyo akabva
amuti; “Handiti munorangarira zvataikuudzai pese pamaiuya
navadzimai venyu kuzotariswa pamuviri? Mudzimai wenyu

Page | 81
anoda your support kuti asunde mwana zvakanaka abude. At
this Clinic, tinoona zvakakosha kuti baba namai vave vese
panguva inosvika mwana wavo. The midwife vanenge
vachikuudzai zvekuita, tese toita team work.” Mukoti
vakanyemwerera vave kuvhura musuo.
Joyce akange arara pamubhedha achidikitira, vakoti
vakakurumidza kuratidza Munyaradzi kwekumira kumusoro
kwemudzimai wake. Vakamupawo zvekupfeka zvemumba
mekurapirwa umu.
Munyaradzi hana yairova akatarisa mudzimai wake
nevakoti, akashamisika onzwa kanzwi kemucheche kave
kuchema.
“Makorokoto baba namai Shumba, it’s a baby girl.” Mukoti
akadaro vave kugeza mwana nekumuputira. Munyaradzi
naJoyce vakasekererana vakatarisa mwana wavo.
Akabva atambidzwa kwavari. Munyaradzi akatanga
kutora mifananidzo yamai nemwana uye yavo vari vatatu.
Joyce akatanga kuyamwisa mwana, asi haana kupedza nguva
achiita izvi sezvo zvainetsa vese mai nemwana vakange vasati
vajaira.
Mukoti vakabva vatora mwana ndokutambidza baba;
“Chiendai muRoom mamasvikira muya, amai vari kuuya
now now. Pane zvishoma zvatinofanira kumbopedzisa.”
Munyaradzi akatambira mwanasikana wake ndokufamba
oenda kwaakange asiya madzimai ekumba kwavo. Vese
vakaenda vondomirira kuuya kwaJoyce. Vakatarisa mwana
vachifara nekupembera kuuya kwemuzukuru.

Page | 82
Joyce akange akarara akamirira zvaigadziriswa padumbu
pake nana mukoti. Nyamukuta wake akabva ati; “Muri
kunzwa sei? Mofamba here to your room or munoda
kubatsirwa?”
Mukoti akatarisa pakange pakarara Joyce ndokuvhunduka
zvakaonekwa naJoyce. “Chii nhai sister?” Joyce akabvunza.
“Muri kubuda ropa rakawanda, inga ndakuisai pad, bed
rese rave red with your blood. Are you ok?” Mukoti
vakadaro. Vakabata bata drip ndokutarisa murwere
vachipererwa.
Joyce akabva ati; “I am ok sister asi ndiri kunzwa kuneta,
zvaita sei?”
Mukoti vakatarisa Joyce ndokuti, rambai makarara ipapo,
ndave kundodaidza Doctor.
Mukoti akaita kusvetuka achibuda, ndokusangana
naMunyaradzi uyo akange ave pamusuo achidzoka
kwaakange asiya mudzimai wake.
“Sister where is my wife? Tamirira, it’s almost 30 minutes
now.” Munyaradzi akabvunza.
“Paita a little complication, mai Shumba vari kuuya,
dzokerai henyu kwamange muri.” Mukoti akadaro
ndokuvhara musuo achifambisa. Munyaradzi akashamisika
chiremba namukoti vachifambisa kuenda kwaive
nemudzimai wake. Zvisinei akadzokera kwaive nanambuya
nemuzukuru wavo.
Nguva yakafamba Joyce asina kundobatana nevemhuri
yake. Vakange vamumirira vakange vangogara vakanyarara
vasingachaziva zvekutaura. Kana kutaura zvemwana

Page | 83
kwakange kwapera. Shungu dzese dzakange dzoda kutaura
kuna amai vemwana.
Mushure meawa yese, Chiremba akazopinda maive
nemhuri yekwaShumba iyi ndokuti; “Mai Joyce Shumba
vabuda ropa rakawandisa pavange vachisununguka mwana
uyu. Vasununguka zvakanaka asi vazobuda ropa
rakawandisa.”
Hapana akapindura kana kubvunza. Meso ese akaramba
akatarisa chiremba. Chiremba ava vakazeza basa ravo
panguva iyi, vakakakama vachishaya mashoko chaiwo
akafanira. Vakatarisa mhuri iyi nekufara kwavaiita vachiona
mucheche vakapererwawo. Asi vaifanira kusvitsa mashoko.
“Asi eeeeeh ………. Taedza zvese zvatange tichikwanisa
asi Mrs Joyce Shumba vashaya. Tine urombo.”
Munyaradzi akabuda umu achifambisa achidzokera
kwaakange asiya mudzimai wake akarara. Vakoti vakadaidza
vana mahobho vaichengeta apa kuzodzikamisa baba
vechidiki ava. Mai Kanengoni vakangoti bvorokosho
vachidonhera pasi. Mai Shumba ndivo vakatetsura mhere
yekutya nekuramba zvaive muupenyu hwavo.
Tete mai Ngoni vakagumbatira mucheche misodzi
ichiyerera nematama avo. Musi wavakange vakatarisira
kupembera upenyu hutsva vachienda nahwo kumba, vakange
vasiya humwe hupenyu mumochari. Zvairwadza vakange
vasara zvakanyanya.

Page | 84
CHITSAUKO 09

Joyce Kanengoni Shumba akandochengetwa kuNorton.


Hama neshamwari vakaungana vachichema nekurwadziwa
kwakanyanya nerufu urwu. Rwakange rwavanyangira
vakarivara, vasingazvitarisire. Vatauri vese vakange vataura
parufu urwu kwaive kudemba Munyaradzi nemucheche
akange asara. Kwaive kupererwa kuti zvamboita sei uye
zvichazodii.
Mushure mekuviga mudzimai wake, Munyaradzi akaita
mwedzi wese achingopfuurawo nekumba kwake
kuGreendale. Akange ozeza mumba make asingade
kundogaramo Joyce asipo. Mwana wake musikana
akachengetwa nambuya vake amai Kanengoni pamazuva
ekuchema mushakabvu. Vatete mai Ngoni vakabva
vambodzokera kumba kwavo. Munyaradzi akange
akavhiringika asingazive zvekuita neupenyu hwake. Mushure
mekuita manyaradzo emudzimai wake, Munyaradzi
akazofunga kuenda kumba kwake kuGreendale.
Pakaita makakatanwa akaoma panyaya yekuchengetwa
kwemwana akange afirwa naamai vake. Munyaradzi aida
kuzvichengetera mwana wake. Mwanasikana wake aive
neimba yake yaakange agadzirirwa namai vake Joyce. Amai
vake vane pavaida kuti arare, vane zvavaida kuti atambise.
Munyaradzi aida kupa mwana wake zvese izvozvo.

Page | 85
Pakupedzisira vese vakazobvumirana kuti baba nemwana
vaende kumba kwavo. Mai Ngoni vaizodaidzwa voramba
vari pabasa pavo sekugara kwavaiita naJoyce. Mwana
akatumidzwa kunzi Rosemary – Nyaradzo.
Munyaradzi akandogara nemwana wake kubvira aine
mwedzi mitanhatu, nemureri wake tete mai Ngoni. Vana
mbuya vemuzukuru vese vakange vakabatikana nekusagara
nemuzukuru, asi vakafunga kutsigira zvaida baba vemwana,
ndizvo zvaipodza ronda remwoyo wake.
Mai Ngoni, sezvo vakange vambogara naJoyce, vakarera
mwana nenzira yavaifunga kuti Joyce angaite. Munyaradzi
akange ave kudhakwa zvakanyanya, aipinda mumba pakati
peusiku pamazuva akawanda.
Nemumwe musi mangwanani, mai Ngoni vakagadzira
chikafu chaMunyaradzi samazuva ose. Ndokuisawo ndiro
yaRose yebota rake padyo. Baba nemwana vakatanga kudya
vese, amai Ngoni ndokusvika ndokugarwo pachigaro chaive
kure vakatarisa.
“Nhai babamunini, ndati muone kuti sisi vakura…….” Mai
Ngoni vakadaro.
“Maita basa tete, ndatoshamisika kuti Rose angatogarawo
so……..” Munya akaramba akatarisa mwanasikana wake. Mai
Ngoni vakamutarisawo ndokuti; “Ndiamai vake zvake kani
Nyarie uyu. Kufanana kwacho kwakatooma. Nyaradzwai
babamunini.”
Munyaradzi akatsikitsira, akaona kuti mai Ngoni vakange
vaverenga pfungwa dzake. Mai Ngoni vakabva vatizve;

Page | 86
“Aaaah, bamunini, ndange ndichida kutaura nezvekunyanya
kudhakwa kwenyu uye kuuya kumba pakati peusiku.”
Munyaradzi akatarisa mai Ngoni achishamisika zvavaida
kumutonga. Ivo havana kuita basa nazvo; “ndimi mubereki
wega wemwana wenyu. Ini ndiri mushandi, ndinogona
kungodzokera kumusha kwangu nguva ipi zvayo. Wanai
nguva nemwana wenyu. Makabvisa mwana kunana mbuya
vake, inini ndinokubatsirai zvamunenge muchida, muchipa
mutemo.”
Vakambonyarara, ndokuona kuti vange vakatererwa
ndokuenderera; “Ko kana pakazouya mumwe musikana
imimi muchigara musipo mwana anogona kuve abused.
Zivanai nemwana wenyu. Kana musina nguva nazvo,
momuendesa kwana mbuya vake imi moita zvekudhakwa
muri mega henyu. Itai kuti Rose azive kuti daddy vake
ndiani.” Mai Ngoni vakabva vambonyarara.
Munyaradzi akambofunga ndokuzoti; “Oh, thank you so
much tete. Ndange ndisina kumbozvifunga. Yes ndinofanira
kuchengeta mwana wangu. And yes imimi muri kundibatsira.
Ndichagadzirisa.”
Vatete mai Ngoni vakapukuta mwana vachimubvisa
mabota ese ndokusiya akagara nababa vake. Munyaradzi
akazosimudza mwana ndokundopinda mumba mavakange
vagadzirira mwana uyu amai vake vachiripo. Rose airara
mumba mairara tete mai Ngoni, uyu mupanda
waisashandiswa. Vakange vasingaufariri asi musi uyu
Munyaradzi akafunga kumbopindamo.

Page | 87
Baba nemwana vakabata bata twakawanda twaivemo.
Maive nezvakawanda zvaifadza meso emwana uye
zvakawanda zvekutambisa. Munyaradzi akavhura rimwe
bhokisi rakange rakanyorwa kunzi Baby @ 6 -12 months.
Rakange rakazara zvekutambisa zvezera iroro. Akatora
ndokubuda nazvo voenda kwaive namai Ngoni.
Munyaradzi akasvika achiti; “Nhai tete, makambofunga
kuti maybe Joyce aiziva kuti Rose achazoverenga twutsamba
twuya twaainyora iye asisipo?”
Mai Ngoni vakagumbata maoko hana ichirova. Vakashaya
zvekutaura ndokungoramba vakatarisa zvekutambisa
zvaibatwa batwa nemwana nababa vake.
Vakatura befu ndokuzoti; “Kuchurch kwedu kuLiving
Faith kuri kuitwa ceremony yevana. Child dedication.
Ndange ndichida kuti tiitisewo Rose.”
“It’s fine endai naye.” Munyaradzi akadaro.
“Ndoudza vana mbuya vake here? Ndoenda nani?” Mai
Ngoni vakabvunza.
“Ndinouya inini for that ceremony. Kana tikaudza vana
mbuya vachatanga kuti dai zvaitirwa kuchechi kwavo asi
vange vakazvinyarara mwedzi yese.” Munyaradzi akadaro
zvakare.
“Zvakanakai, ndichafonera Pastor ndivaudze vaise zita
rakewo.” Mai Ngoni vakadaro.
Munyaradzi akatarisa nguva ndokuti; “Maita basa tete,
ndange ndisingatooni kuti handina nguva nemwana wangu.”
“Haasiye akauraya mudzimai wenyu. Zvakaitika maitiro
aMwari.” Tete mai Ngoni vakadaro zvakare.

Page | 88
Munyaradzi akatarisa mwana wake ndokuti; “Maziva sei
kuti ndinombofunga kudaro? But ndinozomunzwira tsitsi
zvakanyanya mwana wangu, akabatwa namai vake kwe10
minutes chete.”
“Ndosaka Mwari akamupa baba vakanaka vanenge imim i.
Munogona kuve zvese, amai nababa kuna Rose. Varume
vashoma vanoda zvamakaita izvi. Kugara mega nemwana
wenyu.” Mai Ngoni vakadaro. Munyaradzi akanyemwerera
ndokugadzika mwana pasi paive nezvekutambisa zvake.
Rose akakambaira achienda kwaive namai Ngoni avo
vakabva vamusimudza vomukanda mudenga achiseka
chaizvo.
Munyaradzi akatarisa vaviri ava ndokunyemwerera
ndokufamba obuda achienda kubasa kwake.
Kubvira musi wakakwanisa kutaura tete mai Ngoni kuna
Munyaradzi zvavaitarisira kuti aite nemwana wake,
vakasandura magariro. Munyaradzi akatanga kuita
zvakawanda nemwana wake. Kana pakupera kwevhiki, baba
nemwana vaifamba vari vaviri, vaishanyira vana mbuya
vemwana kuNorton vari vaviri.
Mai Ngoni vakatsigira Munyaradzi nekuve amai kuna
Rose. Vakamudzidzisa zvese zvinodzidziswa munhu kubva
achitanga kugara, kukambaira kufamba nekutaura. Kana
Rosemary paakatanga kuenda kuchikoro, mai Ngoni ndivo
vaienda naye kana kuchidiwa mubereki.
Rosemary akakura achigara natete nababa, vamwe vaigara
namai nababa. Nguva zhinji aibvunzwa neshamwari dzake
kuti amai vake ndiani aiseka oti mamma vangu nditete mai

Page | 89
Ngoni. Haana chaakashaya chaida amai saka aisanzwisisa
kuti sei vanhu vainyanya kubvunza nezvamai. Nedzimwe
nguva aidaidza mai Ngoni kuti mamma vangu, ivowo
vaimuti mwana wangu.
Mai Ngoni vakange vave mudzimai mukuru wemakore 55.
Amai ava vakange vakaroorwa kuDande makore avo pavaive
mudiki. Mumba mavo vakashaya mbereko, murume wavo
ndokutora mumwe mudzimai. Vakagara vese pamusha
pavabereki vemurume uyu.Nekufamba kwemakore murume
nemudzimai wake mudiki vakabva vandogara vese kuHarare
kwaishanda vese murume nemudzimai wake.
Vatete mai Ngoni ndokusara nevatezvara navamwene
pamusha. Pakashaya vabereki murume haana kuzodzoka
pamusha apa zvachose, mai Ngoni ndokuona kuti vakange
vagarira guyo sembwa ndokudzokera kwavo
kwaMurombedzi.
Uku vakandogarawo pamusha pevabereki vavo,
vachichengeta vabereki vavo. Vakabva vapinda chechi
yeLiving Faith yaitungamirwa nehanzvadzi yavo. Vaiita
mabasa akasiyana siyana pasangano iri uye ndivo
vaiparidzira vechidiki. Ndipo pakavarwa Ngoni nemunin’ina
wavo.
Kuchengeta Rosemary – Nyaradzo vakakuita nemwoyo
wese. Chaive chitsidzo chavo chakaitika pakati pamai Ngoni,
Joyce naMwari. Kuchengeta mwana uyu kwavari yaive
praising and worshiping Jehovah Elshaddai. S emwana
wavakarera kubva iri nhumbu, ukama hwavo hwakange

Page | 90
hwakasimba zvakanyanya. Vaida Rose, iye Rosemary aivada,
vaive amai vake.
Nekuda kwezera ravo, vakazviona vachirera vese baba
nemwana ava. Munyaradzi aive murume mukuru uye
murungu wavo aivatambirisa mari, asi vaisazeza kumutsiura.
Naizvozvo ainyara kuuya nevasikana vaakange otamba navo
kunze. Kubvira pakashaya mudzimai wake, haana kuzopinda
murudo sezvaakange akaita naJoyce. Aitya kurwadziwa, asi
kunyanya, aida kumbochengeta mwana wake. Pano neapo
aiwana vaaitandara navo vachinwa nekugocha asi zvaiperera
panze pemusha. Vasikana vazhinji vaitofunga kuti anogara
naamai vake, uye kusada kuenda kumba kwake nevasikana
kwakaita kuti vamusiye nekukurumidza.
Kana vana mbuya vemuzukuru vakafara nekugutsikana
nekuchengetwa kwaiita muzukuru wavo. Apo mai Ngoni
vaimboenda kumba kwavo kuzororo, Rosemary – Nyaradzo
aindosara kwana mbuya vake. Zvaiita mwanasikana uyu,
matauriro ake nehunhu hwake uye nyaya dzake pamusoro
paTete mai Ngoni vake sekudaidza kwaaivaita, zvaivaratidza
rudo rukuru pakati pavo.
Rosemary akasvitsa makore mashanu akatanga chikoro
vachirarama vakadai. Gore iri, ndipo pakaita Munyaradzi
birthday party yaRosemary, kuchikoro kwake zvese nekumba
kwavo.
Party iyi yakatangira kuchikoro kwaidzidza Rose, uri musi
weChishanu. Munyaradzi akatenga twekudya nekunwa
twaifarirwa nevana ndokuenda nazvo kuchikoro kwaRose.
Rosemary akadya nekutamba nevamwe vese 30 vaaidzidza

Page | 91
navo. Mai Ngoni nemudzidzisi waRose vakabatsirana kupa
vana chikafu uye kutandara nevana ava vachipembera zuva
rekuberekwa raRosemary.
Baba vaRose vaiita zvekutora mifananidzo. Pano neapo
Munyaradzi aifunga mifananidzo nemaVideo zvaive mumba
make zvakange zvasiiwa namai vemwana uyu. Joyce akange
avasiira zvekuti vaone vese, pasi pemwoyo wake aisuwawo
kuti dai ange ane pekutumirawo kuti Joyce aone zvakange
zvave mwanasikana wake waakange asiya panyika musi
wekuzvarwa.
Usiku hwacho Munyaradzi akange arara mambakwedza
achiona mifananidzo nemaVideo ese aitorwa Joyce kubva
paakange agara kumba aine nhumbu. Musi uyu akaona
zvakawanda nezvimwe zvaaisaziva kuti zvakange zvaiswa
paCamera nemai vemwana wake. Misodzi yakayerera. Apa
mumba makange makazara zvavakange vatenga kugadzirira
mutambo waRosemary pazuva raitevera.
Hama neshamwari dzavo dzakaungana vachifara vese
nekupemberera kukura kwaRosemary. Munyaradzi
aipembera zvakewo ega mumoyo make. Aifara nekutenda
Mwari kuti akange akwanisa kurarama makore ese aya
nemwana wake aine utano hwakanaka mudzimai asipo.
Aifara kupora kwemavanga emoyo wake nekusiiwa
nemudzimai wake. Shungu nekurwadziwa zvaivepo
zvakanyanya, asi kukura kwaRose kwakamupodza
zvakanyanya.
Munyaradzi akatarisa mwana wake achimhanya chivanze
chese achitamba nevezera rake. Akafara kuona mwana wake

Page | 92
achitaura nanambuya vake asina zvinomunetsa. Akaona kuti
iye ega ndiye aizvinetsa kuti mwana uyu achadii. Akabvuma
kuti mushonga wemwana kumupa rudo rwakakwana. Izvi
zvakange zvawanikwa pana Rose.
Mushure mekupiwa zvipo zvese, Munyaradzi akatenda
vanhu vese vakange vauya kumutambo waRosemary. Iye
Rosemary akange akamira padivi pababa vake akabva ati
anodawo kutaura.
Mwana akatarisa mai Ngoni avo vakagutsurira
vachinyemwerera ndokubva atanga kutaura.
Akarondedzera rungano rwekuzvarwa kwaJesu, kuuya
kwakaita angere Gabriel kuna Mariya, kutungamirwa
kwevachenjeri vekumabvazuva vachindopembera kuzvarwa
kwaJesu.
Rosemary akafananidza izvi nezuva rekuberekwa kwake
achitendawo zvipo nekuungana kwevanhu. Akatendawo
Mwari achiti Mwari ndivo vanoronga kuzvarwa nekufa
kwevanhu vese. Pano neapo aikakama, kana kusanganisa
mashoko. Asi akasiya vabereki vakawanda vave nemisodzi
mumaziso.
Apo vanhu vese vakange vaenda, Rosemary akabatsirwa
nababa vake kuvhura nekurongedza mapasuro ake.
“Nhai daddy, sei vana ambuya vachema pandavaudza
zvekuzvarwa kwaJesu?” Rosemary akabvunza baba vake.
Munya akambofunga ndokuti; “It’s sad kuti pakazvarwa
Jesu, King Herod vakauraya vamwe vana vakawanda vasina
mhosva achitsvaga kuuraya Jese chete.”

Page | 93
Rosemary akatarisa baba vake ndokuti; “Ooooh, sekufa
kwakaita mai Rose kuti inini ndizvarwe?”
Munyaradzi akarohwa nehana ndokuti; “Ndiani
akakuudza?”
“Ndisekuru Ticha kwagogo Kanengoni. Vakati mamma
mai Ngoni havasi mamma, nditete. Mamma vakafa kuti inini
ndizvarwe.”
“Ok, ok my baby. Tete mai Ngoni vachakuudza a very long
story about that. But mamma vako ndovakakugadzirira that
bedroom. Handei tindoona all toys and teddy bears zvirimo.”
“Ndave kuda kurara in this bedroom. Tete vakati kana
ndavakuda ndigovaudza. Handichada kuiita play room. It’s
my bedroom.” Rosemary akadaro.
Munyaradzi akanyemwerera ndokuti; “It’s ok, unoudza
tete ndivo vanoziva kuti vokugadzirira sei, turning a play
room into a bedroom handiti?”
“Yes daddy, you are the best.” Rosemary akadaro. Vese
vakambonyarara, Rosemary ndokuzoti; “I want to buy Tete a
present. She made my birthday interesting.”
“Yes yes. And your speech vakakudzidzisa zvakanaka. I
am proud of you. Tichandotenga on Monday afternoon
kuTown, when I pick you up from school.” Baba vakadaro
kumwana wavo.
“Thank you daddy.” Rosemary akadaro achifara
zvakanyanya.
Mwana akadaro ndokutora karokwe kaive mune rimwe
bhokisi raive nezvipo zvakange zvauya nevanhu.
Akaedzesera kupfeka pamusoro pembatya dzaaive nadzo

Page | 94
ndozvitarisa mugirazi achifara. Baba vake
vakanyemwererawo vakamutarisa.

Page | 95
CHITSAUKO 10

Wakange uri usi weMugovera masikati, Munyaradzi


akaenda namai Ngoni naRosemary mudhorobha. Akavasiya
muPick and Pay Supermarket vachitenga chikafu chekumba
kwavo iye ndokuenda kuhofisi kwake. Rosemary natete vake
vakatenderera, tete vachitarisa kapepa kavo kaive nezvaidiwa
kumba. Vaizoti vapedza, vofonera Munyaradzi ouya
obhadhara nekuvatora voenda kumba kwavo.
Rosemary aitenderera achitevera tete vake vachibatsirana
kusarudza zvinhu zvese zvavaida. Kana pavaindotenga
mbatya dzekupfeka, vaienda zvakare vari vaviri.
Munyaradzi akange akagara muhofisi make akamirira
kuzofonerwa namai Ngoni. Mudhorobha makange masara
vanhu vashoma sezvo vanhu vaishanda kusvika masikati
ezuva iri. Nhare yebasa yaifamba naiye kana nemukuru
wemaSecurity Gurads ake yakabva yarira.
“Security 101, shooting and theft at Progressive life
insurance over…..” Inzwi raive munhare rakadaro.
Munyaradzi akasimuka achikurumidza oenda kumahofisi
eProgressive Life insurance aichengetedzwa neSecurity
Company yake.
Akabva afonera Supervisor wake uyo akange achangobuda
vachibva vasangana mudhorobha vave kuenda vese
kwakange kwapazwa. Vakasvika vakawana vashandi
venzvimbo iyi vese vachakavhunduka. Guard weBe-Secure
Security Company aivepo achikamhina gumbo raakange
Page | 96
abaiwa nebanga. Uye pasi pakange pakarara varume vaviri,
vaive mbavha dzacho. Mapurisa akabva angosvikawo
vobvunza zvakange zvaitika.
Munyaradzi akabatsirana nemaGuard ake vaishanda apa
kupa humbowo kumapurisa. Vakatorawo maCamera eBe-
Secure Security Company aive panzvimbo iyi votsvaga
umboo hwezvakange zvaitika. Izvi zvakatora nguva yakareb a
vachibatsira mapurisa. Vakange vakarara pasi ndivo vaive
mbavha dzakange dzabatwa, Guard weCompany
yaMunyaradzi akange avapfura makumbo nepfuti
pavakarwisana vakamubaya nebanga. Vatatu ava
vakaendeswa kuchipatara.
Munyaradzi naSupervisor wake vakazotenderera nzvim b o
yese vave kuona kuti chii chakange chaitika uye kuti
vaizogadzirisa sei. Munyaradzi akazoona mumwe Guard
wake sezvo vaishanda vari vaviri.
“Boss ndadaidza shefu wepano, ndofunga ndivo vari
kusvika avo. Vange vasina kuuya kubasa nhasi.” Guard
akadaro vese ndokutarisa kwaimiswa mota ndokuona
mukadzi aibuda muNissan Double Cab yakange yakanyorwa
kunzi Progressive Life Insurance.
Vese vakamirira kupinda kwake ndokubva vakwazisana.
Munyaradzi nemukadzi uyu vakatarisana kwenguva,
mukadzi uya ndokuzoti; “Munya, how are you? Thank you
for the security services.”
Munya akamboramba akanyarara ndokuzoti; “Oh Bella,
nice seeing you once again.”

Page | 97
Vakaona kuti vakange vatariswa nevamwe vese vaivepo
ndokubva vatanga kutaura zvebasa. Vakanyorerana pasi
zvese zvaidiwa nemapurisa ndokuvhara misuwo yese
ndokubva apa.
Ndipo pakazowana Munyaradzi naBella mukana
wekutaura.
“Iri sei mhuri yako?” Bella akabvunza.
“Vari bho. And you, wave kunzi mai ani?” Munyaradzi
akabvunzawo.
“I am still Miss Bella Matongo, never married.” Bella
akadaro asingade kuramba achitaura nezvazvo.
“Ko ndaifunga kuti hausi muHarare. Ndashamisika
kukuona.” Munyaradzi akadaro zvakare.
“Yes, ndaive kuBulawayo kubvira paye. Ndakatanga basa
pano apa two weeks ago.” Bella akadaro.
“Ko amai vako vakashaya? Ndakaona paFacebook. But
kare kare.” Bella akadaro zvakare.
“Amai vangu variko……… Havana kushaika.”
Munyaradzi akadaro.
“Saka waibatwa maoko aamai Shumba vapi?” Bella
akabvunza achishamisika.
“It was my wife. She died in the labour ward.” Munya
akadaro. Bella akabata muchiuno achishamisika.
Akabva ati; “Aaaaah shame, sorry hako.”
Nechomumoyo akabva ati; “Dai ndakazviziva ipapo
ndakadzoka faster faster.”
Bella akatarisa Munyaradzi ndokuti; “But patove ne6 years
ka apo. Saka wakaroora futi?”

Page | 98
“Aiwa, my daughter is still young. Ndinoda
kumbochengeta mwana.” Munyaradzi akadaro.
“Inhema dzevarume kuti handidi kuroora. Ukanzwa
murume anodaro anenge asati asangana newaanoda kuroora.
Isusu vamwe takamboudzwa kunzi I am not ready for
marriage but in three months munhu akaroora.
Usandinyepera.” Bella akadaro, Munyaradzi akatadza
kupindura izvi ndokutarisa nhare yake.
“Ndine 4 missed calls from my daughter, vanzwa
nekundimirira. Chirega ndiende. Ndafara kukuona Bee
wena.” Munya akadaro ndokupinda mumotikari yake oenda.
Bella akasara achifunga zvekuita, upenyu hwakange
hwamupa mumwe mukana naMunyaradzi zvakare. Aizoona
zvekuita. Apa akange asingazotambisi nguva nemukana.
Munyaradzi akawana amirirwa naTete nemwana wake.
Akawana Ngoni mwana waTete aripowo sezvo aipota
achishanyira amai vake mudhorobha. Munya akaseka seka
navo achivanyengerera sezvo akaona kuti vese vakange
vaneta nekumirira. Akabva ati Ngoni neshamwari yake
yaaive nayo vaende navo kwavaienda.
Pane kuti anange kumba, akabva afunga
kumbovatandadza. Vakananga kuLake Chivero uko
vakandotandara vachiona, kugocha nekunwa. Vakomana
vakafara chaizvo nezvavakaitirwa naMunyaradzi.
Vakandogocha uye kuridza nziyo dzavaida mumotikari
maMunya. Munyaradzi akange akagara achiseka nyaya
dzavo dzekuchikoro.

Page | 99
Apo vakange vave kuda kubva panzvimbo iyi, Bella
akasvika ndokumisa motikari yake padivi pavo.
Vakakwazisana kechipiri Munyaradzi ndokuita kuti vanhu
vese vazivane. Bella naMunya vakabva vasuduruka paive
nevamwe ndokundogara kumota yaBella. Vakaita nguva
yakareba vachiita nyaya dzavo. Vakazoonekana Munya
paakaona Rose ave kukotsira pamakumbo amai Ngoni.
Manheru aya, Munya akati kuna mai Ngoni; “Tete, that
lady, Bella achauya pano. Ndakambogara naye pano.
Takadanana before mai Rose.” Mai Ngoni vakaramba
vakanyarara. Munyaradzi haana kuita hanya nazvo, aifara
kumbovewo nemukadzi waaiti wake, mushure menguva
yakareba muupenyu hwake.
Musi weSvondo, Munya akandosiya mwana wake namai
Ngoni kuchechi kundoshumira. Achibva apa akandotorana
naBella voenda kumba kwake kuGreendale. Vakaita
mangwanani ese vachitandara vachitaura zvakaitika kubvira
pavakaparadzana. Bella akafara kuti vese vakange vaona kuti
upenyu hwakange hwavasanganisa rwepiri.
Bella akabva andobika zvaaida kuti mhuri yese idye musi
uyu. Pakadzoka Rose naTete kubva kuchechi vakawana
tafura yarongedzwa zvekudya zvakawanda. Bella akadaidzira
kuti vanhu vese vachiuya kuzodya.
Rose akamhanya ndokutarisa zvaive patafura, akaona baba
vake vatogara. Akambogara ndokusimuka zvakare oenda
mumba mairara Tete mai Ngoni. Vaviri ava vakazouya
vogarawo patafura. Rose akange akagara pakati pababa vake
naTete akabva avabata maoko ndokunamata achifara chaizvo.

Page | 100
Bella haana kuvhara maziso apo munamato waiitwa,
akange akatarisa Tete ava. Pakangonzi amen, Bella akabva ati;
“Ko imimi munodyira pano here? Endai kuKitchen kana
tapedza pano ndozokudzidzai.”
Mumba makaita runyararo, mai Ngoni vakabva vasimuka
vodzokera kumba yavo yekurara. Rose akabva ati; “Daddy,
ndiisireiwo food yangu ndinodya kuna tete.”
“Iwewe unogara ipapo, wozosimuka wapedza kudya.”
Bella akadaro kuna Rose. Munyaradzi akaisira mwana
chikafu ndokuswededza ndiro yake kwaari. Rosemary akabva
asimuka. Bella akatsveta zvipunu zvese zvaange akabata pasi;
“I said sit! You sit down there!!”
Bella akaita hasha akaona ave kuzhambatata kumwana.
Rosemary akavhunduka ndokutarisa baba vake avo vakabva
vamubatsira kusimuka nekumutambidza ndiro yake. M wana
akaeredza misodzi achifamba achienda kuimba yairara tete
mai Ngoni.
“Wange usingafanire kudaro. Dai wambovapa time vese
vakujaire nekuziva zvaunoda. Mumba mavowo muno.”
Munyaradzi akazodaro kuna Bella.
Bella akaseka ndokuti; “My darling, every home needs a
mother. Pamba pasina amai panojairirwa. And remember
ndakambogara pano vese ava vasipo.”
Munyaradzi haana zvaakazotaura, vakadya
muchinyararire. Mushure mekudya Bella akasimuka
ndokudaidzira mai Ngoni kuti vazotora ndiro dzakange
dzapedza kudyirwa. Rosemary namai Ngoni vakandosuka
vese, Rosemary akamira pachigaro achipukuta, tete vake

Page | 101
vachisuka. Mumba mekubikira umu maisekwa nekutauriswa
chaizvo. Rosemary achidzokorora nhetembo yake
yekuchikoro tete vachimubatsira paaitadza nekusiirira.
Musi weMuvhuro, apo mai Ngoni vakange vasara vega,
ndomusi wavaisuka mahwindo eimba yese. Vakabva vaita
zvavakange vajaira vari vega. Kuridza nziyo dzaMahendere
neruzha rwaiita kuti vanzwe mashoko vachitenderera imba
yese.
Vakatora zvisukiso zvavo ndokundotangira panze
vachiimba Handikanganwe Mwari zvamunondiitira. Pavakasvika
kuseri vakanzwa rwiyo rwanyarara, vakafunga kuti zvimwe
magetsi akange aenda. Vakaramba vachiimba vega vave
kusuka mahwindo panze. Mai Ngoni vakafunga kuti vaita
manzwira vachinzwa vachidaidzwa mumba. Vakabva
vafambisa vachindopinda mumba ndokuwana Bella akamira
pakati peimba yekutandarira.
“Pabhawa here pano panoita full blast kudai? Mange
muchiti muri megaka? Munya anoziva here kuti munoita
mazinoise so? Hee? Ndimi type dzino boiler mazai modya
muchiita ekukanda mudenga muchikachura kunge imbwa.
Rubbish.” Bella akatukirira mai Ngoni. Pasi pasi pemwoyo
wake akange akavavengera kuti vaive hama yaJoyce
Kanengoni.
Mai Ngoni vakaramba vakanyarara. Vakambofunga
kudzokera panze kwavaive vasina zvavataura ndokuzoti;
“Handina kuziva kuti mune munhu akarara. Sorry.”
“It’s not about kuziva kana kusaziva, it’s about kuita
zvaunofanira kuita pamba pauri housemaid. Know your place

Page | 102
mbuya imimi. Hamusi amai vepano. I was here years before
kuve kwenyu pano.” Bella akadaro ndokumbosunga bhande
reMorning gown rake.
Bella akaenderera; “Mugobvisa maCurtains aya muwache,
then I will decide kuti ndoisa mamwe here. And madziro ese
akangozara mapicture emwana it’s ugly. Ndozvakasiiwa
namai vekufaka zvichipo izvi?”
“Uummm, mbuya vaRose ndivo vakambochinja mak eteni
nezviri kumadziro. Inga zvese zvakanaka wani nhai …………
imi……” Mai Ngoni vakadaro.
“Inga munotove nenharo. We will see about that.” Bella
akafamba odzokera mumba maMunyaradzi mekurara.
Mai Ngoni vakafamba vobuda panze. Pavakangotanga
kuti vachisuka mahwindo, Bella akabva avadaidza zvakare.
“Ndiitirei breakfast, soft boiled egg, cucumber and chicken
livers. It was my day off but ndadaidzwa kuOffice. Ndiko
kumwe kune maDanderheads kunge imimi musingazive
zvamunoita. Kuda kutevererwa pese pese.”
Mai Ngoni havana kupindura vakabva vaenda mumba
mekubikira vondoita zvavange vatumwa.
Bella akazobuda oenda kubasa kwake ivo ndokusara voita
basa ravo semazuva ese. Vakabika kudya kwemasikati
ndokumirira kuuya kwababa nemwana. Munyaradzi
akazviona kuti tete vakange vasina mufaro musi uyu.
Mai Ngoni vakambofunga kunyarara asi vakazoti;
“Ummm baba aNyaradzo. Udzaiwo vadzimai venyu kuti
vatipe nguva yekudzidzana. Kana tikaita zvekutukwa nguva
nenguva tinovhiringika.”

Page | 103
“Chii nhai tete?” Munyaradzi akada kunzwisisa.
“Mainini Bella vanoda kuchinja imba yese, uye kudzidzisa
mwana upenyu hutsva nezuva rimwe chete. Zvese izvozvo
zvinotiremera. Ngavadzose speed.” Mai Ngoni vakadaro
zvakare.
Munya akabva ati; “Ok ndichamuudzawo. But handifunge
kuti ane zvakaipa zvaanenge achida. It’s just that tagarisa tega
saka kusandura zvinhu kunogona kukunetsai.”
Mai Ngoni vakambotarisa Munya vachifunga zvekutaura,
vakagumira munzira zvakawanda, ndokuzoshingirira kuti;
“Mafunga kuroora here nhai babamunini?”
Munya akasekerera ndokuti; “Inga ndakambogara wani
nhai tete, chiregai pamba pano pachive naamai.”
Mai Ngoni vakafamba vobvapo. Pasina nguva vakadzoka
naRose ndokuti; “Tave kuenda kuClub, Rose ane swimming
lessons nhasi.”
“Ok, that’s fine, ndokuonai manheru.” Munya akadaro
vese ndokubuda. Munya akaenda nemotikari, mai Ngoni
naRosemary ndokufamba vachienda paGreendale club
paingove padyo.
Manheru emusi uyu, Bella akange atsiurwa naMunyaradzi
akange akatsamwa chaizvo. Akabika akapedza ega pasina
waaitaura naye. Vakasara vega vakagara mumba
mekutandarira apo mai Ngoni nemwana vakandorara.
Bella akapopota; “Iwewe you are too soft, wakapa mbuya
iyoyi too much freedom. Do you even know attitude yavange
vachindiitira? Then vonditaura behind my back. Vadii

Page | 104
kungondiudza tapedzeran? Handiti vari kuda kundiita an evil
stepmother?”
Munya akaramba akatarisa kuTv ndokuti; “But she meant
well. Havana kumbotaura kuti pane zvakaipa zvawaita, vatoti
ndikuudze kuti you must be patient navo chete. Is that so
difficult? Let them adjust please.”
Bella akavhura meso achibata muchiuno akagara pasi
ndokuti; “Them…? Who is them? You see what I mean? She is
even turning mwana against me. Inini ndinopa Rose an
instruction, ivo vanomuudza opposite.”
“No, no. uri kuzvinyanya.” Munya akadaro.
“Sorry shame. Asi munorara mese? Uri kupota uchipindira
chembere iyo mugumbeze mayo ndosaka usingade
kuparadzaniswa nayo.” Bella akadaro ndokuzembera musofa
agumbuka.
Munyaradzi akaridza tsamwa ndokuti; “Now you are
crazy.”
“Prove me wrong. Munoswera muchinditemesa musoro
imi maive mukadzi nemurume makore ese. Imhiko dzeik o?”
Bella akadaro.
“Ok ok, you are the madam of this house. I will support
you uite the changes you want.” Munyaradzi akadaro
arwadziwa nemhosva yaaipomerwa.
Bella akanyemwerera ndokutsvoda Munya pamuromo
ndokusimuka oenda kundodaidza mai Ngoni. Tete vakasvik a
ndokupfugama vari nechekure.
Bella akabva ati; “Mai Ngoni, tataurirana naShumba
tikabvumirana kuti muchienda. Your services are no longer

Page | 105
needed. Pack your things and muende mangwana. I need a
house maid anonditerera, mudiki anotumika.”
Vese mai Ngoni naMunya vakashamisika, vakatarisana asi
Bella akange ave kumberi kwavo vese.
Bella akaenderera; “Mangwana tinobuda tese, ndokupai
three months salary muende zvenyu. This family is more
important than you old lady.”
Mai Ngoni vakashingirira ndokuti; “Zvamati ndiende ko
ndikati mwana wehanzvadzi yangu wechidiki auye zvake
kuzoshanda pano? Ndogara vhiki rese ndichimudzidzisa basa
ndozoenda hangu.”
Munyaradzi akagutsurira ndokuti; “That’s a good idea.
Tete makaoma, even muchisiiswa basa you are still selfless?”
Mai Ngoni vakanyemwerera pasi pekusuwa ndokuti;
“Nyaradzo anofanira kupiwa nguva yekujairana nemunhu.
Tingangokwichura mwana here kune upenyu hwaajaira.
Anoda nguva yekumbovimba nemunhu mutsva.”
Munyaradzi akagutsurira zvakare. Bella akaseka
ndokuzvirova maoko. “Who died and made you the world’s
best mom? Ko kana maenda zvinosara zvichiitika pano zvinei
nemi?”
Mumba makambonyararwa. Bella akaenderera; “Ndati,
ndichazvitsvagira musikana wandinoda, wandinotanga
kudzidzisa zvese sekuda kwangu. I don’t want any ideas or
advice from a bitter old woman who can’t let go.”
Mai Ngoni vakatarisa Munyaradzi zvakare asi murume
akanzvengesa maziso ndokutsikitsira. Vakaridzira tsamwa
mumazino ndokusimuka vondorongedza mbatya dzavo.

Page | 106
CHITSAUKO 11

Pazuva rakatevera, Chishanu, mai Ngoni vakafuma


vachienda kumusha kwavo. Munyaradzi akandotora mwana
kuchikoro ndokundomusiya kwaiita zvimwe zvidzidzo
masikati ndokuzondomutora paakachaisa. Rosemary
akandoshamisika kuona tete mai Ngoni vasipo. Akaramba
achivatsvaga nekubvunza kwavaive asi akavashaya.
Mamwe mazuva pavaisienda kumusha kwavo, vaimusiya
kuNorton kwana mbuya vake vomuudza kuti vaizodzoka.
Asi musi uyu wange wakasiyana, mumba mavairara makange
musisina mbatya dzavo.
Rosemary akaramba kudya akaramba kuita zvese
zvaaifanira kuita tete mai Ngoni vasipo. Paakaona ave kunzi
achindorara tete vake vasina kudzoka, ndipo paakaridza
mhere akabata baba vake achiti vadaidze tete. Vakapedzisira
vaenda vese mumba mairara Rose, baba vave kuedza kurarisa
mwana asi zvaisave nyore. Mwana akange ochema chaizvo,
zvekuti baba vakatadza kumunyararidza.
Munyaradzi Shumba akaramba akagara pamubhedha
pemwanasikana wake. Murume akange akabata rushaya
neruoko rwerudyi, rweruboshwe rwakabata ruoko
rwemwana. Mwana uyu aifemedzeka nekuda kwekuchema
nguva yakarebesa uye shungu dzekurwadziwa dzaive maari.
Baba vakange voshaya zvekuita nemwana uyu, vakange
votadza kumunyaradza. Munyaradzi aiti akaedza kusimuka,
Page | 107
Rose aibva abatisisa ruoko rwababa vake nekuedzesera
kumuka.
Baba vakazosvika pakuneta ndokubvisa mapata pata
avakange vakapfeka ndokungorarawo padivi pemwana.
Kwakaedza vakadaro, Rosemary ndiye akatotanga kumuka
ndokubata kumeso kwababa vake achivamutsa; “Daddy, tete
mai Ngoni vadzoka? Handei kukitchen, vadzoka tete ndoda
kuvaona.”
Munyaradzi akatanga achidairira kuhope ndokuzomuka
ndokuti; “No my baby, tete havasi kudzoka. Let’s go bath,
nhasi unondiperekedza kubasa, tozoenda kuIce-cream.
Tozoenda kwaambuya kuNorton, right?”
Rosemary akamboramba akanyarara,
ndokungozogutsurira sezvo baba vake vakange varamba
vakamutarisa. Akabva amuka ndokunanga muimba
yekugezera baba vake vachiendawo kundogeza kumba yavo
yekurara.
“Ende makaoma baba nemwana imimi. Munya are you
serious? Honestly ungaite usiku hwese wakarara paka three
quarter bed nemwana? Musikana for that matter?” Bella
akadaro achiombera maoko zvekusvotwa nekupererwa
akatarisa vaviri ava.
“Mbuya vaye regai vaende chokwadi, mumba muno
maizoita Sodom neGomorrah.” Bella akadaro achiseka.
Munya akadzungudza ndokuti; “My mother won’t be
happy about this. Ndongoenda nemwana ndonoti mai Ngoni
vakaenda. It’s disrespectful.”

Page | 108
“Don’t worry, ndinotsvaga mumwe musikana nhasi
chaiye. Leave that to me, I promise you my darling, both of
you will be well taken care of. Uchaona kuti wange
wakazvivharira better things nekugara muchitongwa namai
Ngoni pano.”
Munyaradzi akaramba akanyarara ndokugadzirira kuenda
kubasa. Akawana Rose akagara akasuwa akabata ndiro yaive
nebota asingade kudya. Haana zvaakataura asi akaona kuti
Bella akange atsamwa chaizvo. Vakabuda vese vari vatatu
voenda mudhorobha. Mumwe nemumwe akananga k uhofisi
kwake.
Rosemary haana kufamba famba achitaura nevamwe
vaishanda nababa vake sezvaaisiita mazuva ese aaiuya apa.
Akangondogara akagumbata pasina zvaaiita. Munyaradzi
akaedza kupa mwana chino nechocho asi Rose ainge munhu
afirwa.
Bella akasvika kubasa kwake akafarawo chaizvo achiona
kuti akange asudurutsa zvainyanya kumunetsa pakati pake
naMunya. Akatanga kufunga kuti aizowana kupi musikana
wechidiki aizomuterera. Akandogara muhofisi make
ndokutanga kutumira twutsamba kumashamwari ake
achitsvaga musikana webasa.
Musi weMugovera uyu, vashandi veCleaning Company
vaitsvaira pamahofisi aya paishanda Bella. Makapinda
vamwe mai vaitora marara uye kutsvaira muhofisi make
nekusuka mahwindo ake. Izvi vaiita kaviri pasvondo.
“Muri seiko nhai asikana?” Bella akadaro.

Page | 109
“Mamuka sei henyu. Sorry ndangopinda, ndange
ndichifunga kuti hamuna munhu nhasi Saturday kudai.”
Mudzimai uya akadaro.
Bella akabva ati; “Nhai ndiri kutsvagawo musikana
webasa. Anozochengeta kamwana kari Grade 1. Mwana
weboyfriend yangu, handigare navo full time. Ndinoda
munhu anoterera inini.”
“Hoo, munoda akakura sei? Anenge achigarapo here kana
kuti anoshanda achibva kunze.” Mai vaye vakabvunzazve.
“Ndinoda live-in, like I said pamba peboyfriend yangu. So
ndinoda someone who can be my spy anondiudza vanhu
vanosvika ndisipo futi.” Bella akadaro vakadzi ndokuseka
vese.
“Hoooo ok. Ndinonzi Petronella Poga, ndinobva
kuBondolfi kuMasvingo. Ndine munin’ina wangu akabva
kumurume mavhiki apfuura ayo. Ari kutoda basa.” Petronella
akadaro.
Bella akanyemwerera ndokuti; “Ndiye akanaka iyeye,
akambobatwa rough nemurume anouya achida basa uye
achiterera. Munokwanisa kuti auye zvarini? How old is she?”
“Just 25, ane mwana ane 2years asi anosara namai. Regai
ndifone izvozvi ndinzwe kuti anokwanisa kuuya riini.”
Petronella akadaro ndokumboenda panze ondotenga airtime
yekufonesa.
Akadzoka achiti; “Anokwanisa kuuya neMonday, saka
ndozouya naye kuno neChipiri. Tange tatogara tichironga
kuti auye kuno atsvage basa. Kumusha hakusi kuita.

Page | 110
Kamurume kaimurova kanozomufurira vakadzokerana.
Angatouraiwa mwana wamai vangu.”
Vakadzi vakaseka zvakare, Bella akange afara kuwana
munhu wekumusha asina zvedhorobha zvaaiziva.
Bella akambofunga ndokuti; “Ihama yenyu here nhai
akoma Petty? Munomuziva here?”
Petronella akabva ati; “Mwana wamai vangu, kalast born
kekumba kwedu. Anoterera iyeye, and zvevarume izvi zviri
kure naye nekuti ange ari muhospital ari muComa arohwa
nemurume wake. Saka ndichanyatsomuraira kuti azive
zvekufambira muHarare.”
“Oh, great. Kana auya ndokudzorerai busfare yenyu.
Handidi kuti tizotadza kushandidzana pano. Ndokupai mari
munhu oregera kuuya.” Vese vakaseka. Petronella
akazopedzisa kutsvaira umu vave kunwa coffee nemakeke
ekuBon Marche vese.
Bella akataura zvese zvaaida kuti munin’ina waPetronella
azive. Akapedzisira achiti; “Pana mbuya vaivepo vakagarapo
for the past seven years, saka vange votozviona samai vepo. I
had to dismiss her. Nekuti even the step daughter ange
asingatereri. Tange totorwira kutsiura mwana and mwana
wacho achiterera ivo mbuya ivavo.”
Petronella akange akaterera akabva ati; “Saka makaroorwa
rini nhai mainini? Vamwene venyu vanoti chii kana
vakamborega zvakadaro kwemakore ese iwayo.”
Petty akada kuziva, akanhongazve rimwe bhisikiti
ndokunyepfura mukaka nehuchi.

Page | 111
Bella akaseka ndokuti; “Vamwene havazvizive,
ndakatongoita my own decisions mumba meboyfriend
otherwise zvinhu zvakadaro zvinokanganisa relationship.”
“Kana dai mange maroorwa maingoendesa mwana
kwambuya motanga imwe mhuri. Kuchengeta mwana
wemumwe kunenge kuri kutokunetsai.” Petronella akadaro
zvakare. Bella haana kuita basa nazvo. Akange afara kuwana
musikana webasa wekumusha.
Musi weChipiri masikati, Petronella nemunin’ina wake
Tendai vakasvika paProgressive Life Insurance pabasa
paBella. Vakakwazisana vese sisi Petty vakaita kuti munin’ina
wavo azivane nemurungu wake. Bella akaramba akatarisa
Tendai asi haana zvaakataura.
Manheru emusi uyu, Munyaradzi akazosvika Bella
nemushandi wake vave pamba. Bella aibika, Tendai akagara
mumba akaterera zvaaiudzwa. Vese baba nemwana
vakangotarisa Tendai ndokutadza kana kumumhoresa.
Vakapfuurira kudzimba dzekurara ndokuzodzoka vachinja
mbatya dzekupfeka.
Bella akabva ati; “Uyu ndiTendai, she will take over from
mai Ngoni. Tendai, ava ndiShumba, baba vepano and Rose
ndiye mwana waunochengeta.”
Tendai akasimuka achitandavadza ruoko nekutyora
muzura achikwazisa Munyaradzi, murume akakwazisa
mukadzi uyu nezvigunwe. Rose akamira akahwanda kuseri
kwababa vake.
Munyaradzi akabata Rose ruoko ndokuti; “Handei tindoita
homework yako.”

Page | 112
Tendai akazviona kuti akange asina kufarirwa. Akatarisa
Bella achiti kuda pane zvaachataura asi mudzimai akaramba
akanyarara. Mushure mekubika, Bella akaratidza Tendai
murwi wembatya dzaida kuaiyiniwa.
Munyaradzi naRose vaive mumba mekurara mevabereki.
Pakapinda Bella, Munyaradzi akabva ati Rosemary aende
kuimba yekutandarira aizomutevera.
“Bella are you serious?” Munyaradzi akadaro achiratidza
kutsamwa kukuru.
Bella akatarisa murume kumeso ndokuti; “Ndadii futi?”
“Ungadzinga mai Ngoni kuti mwana wangu achengetwe
nemurwere uyo? Where did you get that woman?”
“It’s just poverty haasi kurwara uyo.” Bella akadaro.
“No no no. I won’t allow that. Kunge achafira pano. Hande
tinomubvunza.” Munyaradzi akadaro ndokuenda mumba
maitwasanudzwa mbatya naTendai.
“Munobva kupi kumusha” Munyaradzi akabvunza.
“Bondolfi, Masvingo.” Tendai akadaro.
“Waimboshanda kupi nguva yese iyi?” Munyaradzi
akabvunza zvakare. Tendai akambopererwa achifunga kuti
onyepa here kana kuti otaura chokwadi. Mhinduro yake yese
kubvuma kana kuramba kwaizorevei. Akafunga kureva
chokwadi ndokuti; “Handina kumboshanda, ndakange
ndakaroorwa, saka pandakasiyana nemurume ndakabva
ndazotsvaga basa.”
“I just want to know, kuti mungave mune chimwe
chirwere be it HIV, Diabetes, Kidney problems or heart, I

Page | 113
mean those chronic ailments. I want to know nekuti ndimi
muchagara nemwana wangu nguva yakareba.”
“Aiwa handirware. Handina kana chronic disease.” Tendai
akadaro.
Munya akamutarisa kubva kutsoka kusvika kumbusoro
ndokuti; “Ok, madam vako ava vachaenda newe kwaDoctor
for a thorough check up mangwana. Kana paine zvaunonzwa
zvausingade kuti tizive muno mumba, as you go to the
Doctor’s pack your things and leave my house.”
Bella akabva ati; “Tendai is here to stay. Nhai tingabvisa
munhu kumusha kuti azoita overnight obva adzokera?
Vamwe vakagara pano ma7 years vaiitei?” Bella akabata
Munyaradzi ruoko ndokumudhonza ndokufamba vachibuda.
Bella akazoti kuna Munya; “But honey, ungaite rough
yakadaro here? Was it necessary? Wanyanyomaka Tendai just
because ndini ndakamutsvaga here?”
Munya akaridza tsamwa ndokuti; “I made a mistake to let
your emotions decide for us mumba munomu. Things are
getting worse.”
Bella haana kuzopindura, akabva abuda oenda mumba
maive naTendai achindoona kana aigona kuayina mbatya.
Akawana mukadzi asuruvara asi basa richiitwa zvakanaka.
Vakabatsirana kurongedza ndokubva Bella azoti; “Pana mai
vanonzi mai Ngoni vaive pano, vanenge vakaroya munhu
wese pano. Iwewe wotoshinga nekuti uchange uchienzaniswa
navo pane zvese.”
“Ko sei vakaenda?” Tendai akada kuziva.

Page | 114
“Vakange vasinganditereri, and vange vakurisa saka
vaindiita kunge mwana wavo wavanodzidzisa kurera Rose.
Since tave kugadzirira kuroorana naMunya ndakaona kuti
vaizotikanganisa zvirongwa zvedu.” Bella akatsanangura.
Tendai akaramba akanyarara.
Pazuva rakatevera, sekuronga kwakange kwaita Munya,
Tendai akaenda kwaChiremba kwaaindoongororwa hutano
hwake. Akabvunzwa zvakawanda wanda pamusoro
peupenyu hwake, nekutorwa ropa nekuongororwa
zvakawanda. Akabva apiwa mapiritsi ainzi ndeekuzonwa
kwemwedzi wese ozodzoka zvakare. Tendai akapindura
mibvunzo yese nechokwadi chake. Iye aitodawo kuziva kuti
ainzwei, akatora mukana uyu kuti abatsirwe nekubatsirika.
Manheru aya Tendai akandopfugama pakange pakagara
Munyaradzi mumba mekutandarira ndokumutambidza
mapepa ese akange anyorwa naChiremba.
Munyaradzi akaverenga ndokushama muromo
achishamisika; “Waimborarama seiko kumusha kwako? All
tests are negative. Zvese zvandange ndichifungira kuti
unonzwa hapana chauri kunzwa. But une malnutrition?
Really? Munhu mukuru anoita malnutrition here? ndoKwashi
yevakuru?”
Tendai akatsikitsira. Munyaradzi akaverenga mapiritsi
akange auya naTendai ndokutarisa Bella achiti; “These are
just multi-vitamins tablets, I guess to help you kuti uvewo ne
appetite right? Meaning you are not sick?”
Tendai akagutsurira. Paakaona Munyaradzi pasisina
zvaaitaura akabva aenda kumba yekubikira. Akawana

Page | 115
Rosemary akagara mumba mekubikira achinyora zvinhu
zvake zvekuchikoro.
Tendai akamboverenga ndokuti; “Ndokubatsira, hanzi
draw some shapes.”
“Yes thank you, I misplaced my book, tete mai Ngoni
vakandidzidzisa about all the shapes.” Rose akadaro.
Tendai akabva ati; “Kana wadzoka kuchikoro mangwana
ndokubatsira kutsvaga book iroro. Now ngatinyorei the
shapes.”
Vakabva vanyora zvese ndokupedza. Bella akabva
azopinda umu Rose ave kutobuda.
“Rose ane njere, homework yake atoita ega achigona
zvese.” Tendai akadaro.
“Handiti wamubatsira? But waudzwaka kuti mai Ngoni
vaiita sei.” Bella akadaro ndokuseka. Tendai
akangonyemwerera.
Bella akabva azogara pasi naTendai ave kumuudza
zvaaida kuti aite. Vese Munyaradzi naTendai vakange
vakaterera. Uye Munyaradzi akanzi ataure zvaaidawo
kuudza mushandi uyu asi haana zvaakada kuwedzera.
Chakaonekwa navese Munyaradzi naTendai pane
zvaitaurwa naBella yaive mitemo yezvekuita nekusaita
naRose. Pakange pasina zvebasa chaizvo nemagariro
emumba. Yaive mitemo yekuti Rose aifanira kubvumidzwa
nekurambidzwa chii. Aifanira kuitirwa nekusaitirwa chii.
Bella akange agutsikana nehunhu hwaTendai uye
nekumuterera kwake. Mukadzi uyu aiziva kuti aisafanira
kugara mumba maMunyaradzi mazuva ese, saka kusiya

Page | 116
Tendai pamba apa kwaimubatsira zvakanyanya. Tendai ndiye
aive ziso rake muupenyu hwake naMunyaradzi.

Page | 117
CHITSAUKO 12

Mazuva akafamba, pamba paMunyaradzi, Tendai


aingoitawo basa sekugona kwake. Pano neapo aibvunza Bella
asi mukadzi uyu akange asina nguva nekutaura zvemumba.
Chaaida kwaive kutonga mumba nevese vaigaramo zvakange
zvambotadziswa namai Ngoni.
Tendai aingoitawo zvaaikwanisa semukadzi mukuru. Asi
Rose aigarotaura kuti nezva tete mai Ngoni zvakamubatsira
chaizvo kuti azive zvaitarisirwa mumba umu. Akange
otobvunza mwana ariye kuti ko pane zvakadai izvi vatete mai
Ngoni vaiita sei.
Munyaradzi akange okurumidza kuuya kumba kuti
azobatsira mwana wake nekumuendese kuma Extra lessons
uye kune mimwe mitambo yaaienda masikati ega ega. Izvi
zvaingoitwa muGreendale imomo uye apo mai Ngoni
vaivepo vaingoenda netsoka.
PaSvondo rechipiri, Tendai akange ave kuziva zvekuita
naRose, akange oziva nzvimbo dzese dzaienda mwana
masikati. Svondo iri ndipo pakauyawo tete vaBella muHarare
vachibva kumusha kwavo, kuzorapwa. Naizvozvo Bella
akange asingachakwanisi kuve kumba kwaMunyaradzi
nguva dzese kana kurarako sezvaaisiita. Aidarikira kurarako
mamwe mazuva, orarako pane mamwe mazuva mashoma
pasvondo.

Page | 118
Iyi ndiyo vhiki yakaita Tendai basa sekugona kwake asina
kutya nekuvhunduka sezvaaisiita. Bella akange asina nguva
yekudzidzisa Tendai, asi Munyaradzi aitarisira kuti
vadzidzisane. Izvi zvaizopa Bella hasha otsvagira Tendai
mhosva pane zvese zvese zvinenge zvataurwa naMunyaradzi.
Nemumwe musi apo Munyaradzi akange ave kuenda
kubasa uye kuperekedza mwana wake kuchikoro, vakati vave
kubuda, Tendai ndokumhanya nechimwe chigubhu chaive
nemazoe ndokutambidza Rosemary nepahwindo remumota.
Rosemary naTendai vakangosekererana Munyaradzi
akatarisa ave kufambisa motikari kubva pamba.
“Ko wange usina kutora drink?” Munyaradzi akabvunza
mwana.
“Mamma Bella havadi kuti nditore two bottles dzedrink.
Vanoramba, so kana varipo like today, auntie Tendai
vanondiisira kana mamma Bella vabuda mukitchen.”
Rosemary akaseka chaizvo akatarisa baba vake.
“But why? Ndozvawakaudza auntie Tendai?” Munyaradzi
akabvunza achishaya zvaiitika pakati pemwana nemureri
wake.
“Kana ndikaudza auntie Tendai zvaiita tete mai Ngoni
vanoitawo just like that. Asi ndikaudza mamma Bella zvaiita
tete mai Ngoni she gets so angry and shouts at me.” Rose
akadaro zvakare.
Munyaradzi akanyarara achifunga. Rosemary akatarisa
kumeso kwababa vake achida kuona kana vatsamwa. Akab va
ati; “Daddy, musatuke auntie Tendai, mamma Bella always

Page | 119
insults her, vanozoendazve satete mai Ngoni. I like auntie
Tendai, we are friends now.”
Munyaradzi akanyemwerea ndokuti; “I see. Ko why are
you saying mamma Bella? Handina kumboti udaro.”
“Ivo mamma Bella vakati she is not auntie like tete mai
Ngoni or auntie Tendai.” Rose akadaro, Munyaradzi
ndokuramba akanyarara.
Mumotikari makamboita runyararo, Rosemary ndokuzoti;
“Daddy, munogona kutamba pada?”
“What is that?” Munyaradzi akabvunza achitarisa mwana
wake.
Rose akaseka akatarisa baba vake; “Ko nhodo?” Rose
akadaro zvakare.
Munyaradzi akaseka chaizvo ndokuti;
“Wakazvidzidzepi?”
“Auntie Tendai vakandidzidzisa. Kana ndapedza extra
lessons tikadzoka we play so many outdoor games.”
Rosemary akadaro zvakare.
“You mean auntie Tendai will be jumping pada with you?”
Munyaradzi akabvunza.
“Yes, but only when mamma Bella is not there. Mamma
Bella vakatuka auntie Tendai kuti she is stupid vanotamba
neni games from her village.” Rosemary akadaro.
Munyaradzi akaramba akanyarara, Rosemary akabva ati;
“Daddy, kana tave paHoliday, can auntie Tendai’s daughter
visit us? She is adorable, I would love a sister like her.”
“Wakamuona kupi?” Munyaradzi akabvunza awandirwa
nezvaitaurwa nemwana wake.

Page | 120
“Auntie Tendai vanoita video call then ndotaura naye.
Showing her my teddies. She likes them. And ………. And
daddy…………” Rose akaseka chaizvo ndokuti; “Anobva
achema oti ‘ndipe dhori wanguuuu’ ndoda kumupa ini daddy.”
“Ok ok, uchamupa.” Munyaradzi akadaro ndokubva
vamira pachikoro. Rosemary akabva abuda mumotikari
ndokumhanya ave kupinda mugedhe. Akabva asangana
neshamwari yake Rachel Muchenje. Munyaradzi akatarisa
tarisa achida kuona kuti mwana wasahwira wake uyu akange
auya nani. Paange ave kuda kufambisa mota, akabva aona
mudzimai wasahwira wake amai vaRachel vamira pahwindo
pake.
“Bamudiki mamuka sei?” Mai Rachie vakadaro.
“Oh amaiguru, muri sei?” Munyaradzi akadaro achidzikisa
hwindo reToyota Fortuner yake.
“Ndange ndichiti tapesana nekuti ndange ndichitarisa
Benz. Nhasi machinja mota.” Mai Rachie vakadaro
vachiongorora motikari. Munyaradzi akatarisa nguva ave
kuda kuenda.
Mai Rachel vachibva vati; “Oh bamudiki, kuchurch kwedu
tiri kuita kids fun day. Ndakaona Rose has a new nanny waari
kuuya naye kuSwimming. If it’s ok ndozovatora Saturday
morning tiende kuLiving Faith. It’s for mothers and kids
only.”
“Ok its fine. They will be ready on Saturday, mozovatora.”
Munyaradzi akadaro ndokugadzirisa bhande rake.
“Hameno kuti mainini Bella vanoti chii. I know kuti
ndovandingadai ndataura navo, but munoziva havandifarire

Page | 121
nekuda kwamai Rose.” Mai Rachie vakadaro vachitsvaga
mashoko.
“Handisati ndaroora maiguru. Kana Rose Nyaradzo ave
naamai vatsva you will be the first one to know.” Munyaradzi
akadaro ndokutanga kufambisa motikari yake mai Rachel
vasati vapindura.
Zuva rese musi uyu, Munyaradzi aifunga zvakasiyana
siyana zvakange zvataurwa nemwana wake. Akaona kuti
mumba make maive nehondo yakapora yaaisaona.
Zvakaswera zvichimudya moyo kuti zvaizopera sei.
Apo ange ave manheru, Munyaradzi akadaidza Tendai
ndokuti; “Riri sei basa? Pane zvausati waziva here zvaungade
kudzidziswa?”
“Aiwa ndiri kujaira. And Rose andogona kudzidzisa
chaizvo. Ndinomubvunza zvakawanda.” Tendai akadaro.
Munyaradzi akabva ati; “She is just a kid. Usamuteedzere.”
“But anoziva hake, chero ari mwana.” Tendai akadaro
achiseka.
“It’s fine. Ko hanzi naRose munogona kutamba chaizvo?”
Munyaradzi akadaro ndokuseka atarisa Rose uyo ange
azembera baba vake.
Tendai akatsikitsira ndokunyarara.
Munyaradzi akabva ati; “Tell me, are you married? Or
were you married? Une mwana?”
“Ndaive ndakaroorwa, ndakasiya murume. He was
abusive. Mwana wangu akasara namai.” Tendai akadaro.
“Ko vekuCleaning Company ndiani?” Munyaradzi
akabvunza zvakare.

Page | 122
“It’s my sister, ndivo first born yekumba kwedu.” Tendai
akadaro.
“Saka iyezvino murume ave kuti chii? Ari kutika dzoka
kumba mukadzi wangu.” Munyaradzi akadaro achiseka.
“Takaparadzana ndiri muchipatara andipinza muComa.
Saka hazviite kuti ndidzokere.” Tendai akadaro.
“Many people do that, vanhu vanorambana but
vakamboparadzana for a while vanodzokerana zvakare.”
Munyaradzi akadaro.
Tendai akadzungudza, akange adzimbirwa maronda,
akabva ati; “Ndati akapotsa andiuraya. Dai ndakaiita police
case angadai ari kujere izvozvi neAttempted murder.
Vanodzokerana vaye vanenge vakarambanirana zvisina
maturo. Iyezvino ndichifunga ndinoona kuti pange pasina
chikonzero chekuti tive tese. Ndinofara ndakabvako.”
Vese vakambonyarara, Munyaradzi ndokuzoti; “I am
sorry, I wasn’t too nice pawakauya. I was still adjusting to
change. Mai Ngoni takagara navo more years than even
kugara kwatakaita namai Rose. So kuenda kwavo we were
not happy. But I guess now tajaira. My apologies,
wakangobatwawo mucrossfire. I am really sorry Tendai.”
Tendai akaramba akanyarara, hana yakarova kuita
seachaita manyoka, hanzi kudini? Murungu wake, shefu
wake, ane company ine mari, mazimota matatu panze, ziimba
raaigara, chikafu chaaidya, chikonzero chaaive muHarare,
kumukumbira ruregerero? Aah ndomanenji chaiwo
muupenyu hwake. Hoo nhai kune varume vanotokumbira
ruregerero kumunhukadzi muupenyu hwuno nhai?

Page | 123
Akabwaira bwaira akada kuchema achifunga mashoko
akaoma aaiudzwa musi nenguva naJacob Zivanai.
Tendai akashaya zvekureva. Akaramba akanyarara.
Munyaradzi akaseka seka ndokuti; “Kutaura chokwadi
wachinjawo chaizvo in these four weeks dzawagara pano.
You don’t look sick anymore. You are not thin anymore
sezvawaive. You are now smooth and slim in a very nice way.
I just wonder kuti patinozoti third month, vekumusha
vachandokukanganwa.”
Tendai akanyemwerera ndokutsikitsira.
“Endai henyu munorara. And by the way, musi
weMugovera muchaenda kuchurch namai Muchenje.
Mugadzirire vachauya vokutorai na10 mangwanani.
Munoenda mese muri vaviri. Ndokuchechi kwaienda tete mai
Ngoni.”
“Zvakanakai. Tinogadzirira.” Tendai akadaro
ndokusimuka oenda kundorara.
Wakange uri musi weMugovera mangwanani, apo
Petronella mukoma waTendai vaishanda kuProgressive
Insurance. Vakafunga kumbondoona murungu wemunin’ina
wavo vasati vatanga basa musi uyu.
“MaininI Bella, ari sei Tendai? Ari kugona basa here?”
Petronella akadaro achinyemwerera.
“Oh yes stereki no problems. Zvandakamudzidzisa zvese
ari kuita. And even now handisi kuendako mazuva ese but
ndoziva kuti my interests are taken care of.” Bella akadaro
achifara.

Page | 124
“Zvakanakai mudikanwi. Kana paine chamunenge musina
kufara nacho munongondiudza ndomutsiura. Anofanira
kutochengetedza basa iroro.” Petronella akadaro.
“Its fine, handimbokunyarii. Ndinokuudzai. Iye Munya
ndiye aitove neproblem naye. Paakauya Tendai was not
looking so healthy, but now nekudyawo nekugara zvakanak a
ave kuchinja.” Bella akadaro.
“Inga ndakakuudzai wani kuti aive abused nemurume
wake waakazosiya. Chaimuonza ipfungwa kwete kushaya
chikafu. Zvemagrosari kumusha ndinotumira chaizvo. Asi
kana pfungwa dzisina kudzikama munhu haakori nyange
akadya mombe yese.”
“Anyway its fine. Ndaida munhu ari reliable wekusiya
nemurume wangu. Zvimwe zvese hazvina basa.” Bella
akazodaro.
“Haa Tendai ndomutemba ini, mwana wamai vangu asina
chipomerwa. Even ivo vekwaZivanai, vamwene vake
vakachema sevafirwa pavakandoudzwa nemunyai kuti
Tendie haachadzoka. Saka don’t worry makazviwanira.”
Nhare yaPetronella yakabva yarira ndokufamba oenda
kuzvimbuzi zvaive kumucheto cheto kwemahofisi
ondodavira.
“Hesi Tendie, ndange ndichitaura namadam boss vako
ndichivatenda kuti vari kukuchengeta. But ndaona kuti
hapana zvinozikanwa. Vatadza kana kupa comment
yezvaunogona kana zvaunotadza.” Petronella akadaro aona
kuti hapana aimunzwa.

Page | 125
“Iiiih sisi Petty muchandiparira. Musavabvunza henyu
zviya zvandaiti vaindituka.” Tendai akadaro sezvo aiziva kuti
mukoma wake aisave nenyadzi kune vaimutadzira.
Petty akaseka chaizvo ndokuti; “Aiwa aiwa handidaro.
Chimbogara ipapo ujaire Harare. Asi ibenzi remukadzi.
Reason yaakakutorera kuti agotonga mwana nemurume. Nhai
mukadzi ane dzakakwana anoita shanje pana baba nemwana?
Mwana wacho ana amai vakatofa? Vanhu vane zvivi mwana
wamai vangu. Kuri sei kuMansion kwako?”
Vese vakamboseka, Tendai ndokuti; “Tasiiwa pachechi
patiri kudzidziswa about Prayer nekuti tinodzidzisawo vana
vadiki vezera iri kunamata sei. Hanzi naBoss-man ndopaiuya
mai Ngoni vaye vaadzingwa neshamwari yenyu.”
“Inga hako, waitirwa zvakanaka. Uzondiudzawo zvese
zvamuri kudzidza.” Petty akadaro.
“Mufunge ndabva ndanzwisisa kuti sei mwana uyu
achifarira tete mai Ngoni, uye achigara achingotaura maitiro
avaiita zvinhu. Ini ndadzidza zve half day asi ndatoona kuti
ndave nekufunga kutsva.”
“Ndazvidawo izvo, next week tichabatana
ndimbozodzidzawo.” Petronella akadaro.
“Asi manheru tanzi tinoenda kuNorton kwambuya vacho.
Tabaiwa nekufamba. Nezuro takaendeswa kugrocery.
Kutenga kwemurume asingazive zvinoshanda mumba
nezvisingashandi. Kungozadza matrolley. Dai ndaida kuba
ndaingoworerawo nezvaChido.”

Page | 126
Mukoma nemunin’ina vakaseka chaizvo. Vese
ndokungozonyararidza nhare mumwe nemumwe oenda
kubasa kwake.

Page | 127
CHITSAUKO 13

Pavhiki rakatevera, Bella akapedza rese ari kumba


kwaMunyaradzi. Mumba makange makanyarara manheru
ega ega, Rose naTendai vachinyanya kugara mumba maRose
mekurara. Pakati pevhiki iyi, Bella akatambira matsamba
akamufadza chaizvo. Akapembera akafonera hama dzake
achifara. Akafonerawo Munyaradzi vakataura panhare vakati
vaizopedzisa nyaya iyi manheru.
Apo aibata bata zvemuhofisi make, Petronella akabva
apinda. Bella akanyemwerera ndokuti; “Ndafara kukuonai
vakoma, I almost called you. Nhasi muri kushanda pano
here?”
“Aiwa, ndiri off saka ndichamboteera zvikwereti zvangu
kuvanhu vaitenga. Mange matii nhai mainini?” Petronella
akadaro achifunga kuti chingave chii change chakanganiswa
nemwana wamai vake.
“Vakoma, ndakawana a lifetime opportunity, ndiri kuenda
kuAmerica for three months for a Short Course. Ndiri
kuendeswa neCompany.” Bella akadaro vakadzi
ndokurovana maoko.
Bella akaenderera; “And mari yacho yatiri kundopiwa,
ndinodzoka ndikatotenga mota yangu inenge yaMunya
nekutosimudzawo imba yangu. Varume mazuvano
havachada vakadzi vasina mari. Iyezvino Munya haasi
kutaura kuti anoda kundoroora riini, but mirai muone
Page | 128
pandinongodzoka ipapa nefat bank balance. Anoswera
amhanya kwatete vangu.” Bella akadaro zvakare.
Vakadzi vakaseka chaizvo ndokubva Petty ati; “Taura
hako wena. Varume havachada hodhiropu yekungotsveta
mumba ichinzi mukadzi. Munhu ndewekuzviitirawo kamari
kako. Akafa or mukarambana life goes on.”
“For me respect chaiyo vakoma. Ndoda kuti mhuri yese
vaone kuti ndinozviitira tunhu twangu handina kuvinga mari
yake.” Bella akadaro.
Petty akabva ati; “Asi musazonyanya independence
mainini. Are you sure kuti Munya haasi kutaura zvekuroora
nemhaka yei? Dai matsvaga chikonzero chechikwadi
chaMunya. Kwete chamunofungira varume vese vese.
Mukazonyanyove nemari anozoshaya kuti iye anoitei
muupenyu hwenyu. Varumewo vanoda mukadzi
wekuchengeta, achikumbirawo. Kwete kuzoita varume vaviri
mumba.”
“Muri cleaner ka imimi and your sister is a housemaid.
What do you know about money and professionalism? I am
not like you anoti marriage is my best achievement. No.” Bella
akadaro achiseka.
Petronella haana kuona chaisetsa apa, akanzwa kutukwa
nekushorwa akabva ati; “Muchenjere kufungira varume ava
zvavasingadi. Muchasara rwepiri muchidzingirira mhepo.
Mozofamba zvakanaka mundege mainini. Mundotivigirawo
chirungu chese.”
Petronella akabva abuda pasina mhinduro. Bella akasara
achifunga kuti Petronella airevei asi haana kuita hanya nazvo,

Page | 129
vakadzi vasina kudzidza vainetsa kuita nyaya navo dzine
maturo. Vaingofunga kuti vofadza sei varume.
Manheru aya, Bella naMunyaradzi vakandodya kuhotera
vachitaura nyaya dzavo. Bella akaronga izvi kuti aoneke
pasina mwana nemusikana webasa vaimutarisa achitadza
kunyatsofara nemudiwa wake.
“Ndange ndichifunga kuti ucharamba kuti ndiende kuUSA
nhai Munya.” Bella akadaro akabata Munyaradzi ruoko
nepamusoro petafura.
“No. why would I do that? It’s something that you have
worked hard for, and something you deserve. I won’t stand in
your way.” Munyaradzi akadaro.
“You are such a darling, unoziva.” Bella akadaro ndokubva
vanyemwererana. Bella akanyemwerera ndokuti; “Nedzimwe
nguva ndinongofunga kuti sei wakambondisiya ukaroora
amai vekamwana kaye. The way mwana uya kufanana
kwaakaita namai vake. Zvakaoma. So that lady
akangokanganisa marriage yedu and left that constant
reminder. For the why?” Bella akadaro neshanje dzaive
pachena.
“Kamwana kaye happens to be my beloved daughter. And I
loved mai vake to bits. Even now, I still love Joyce. The only
way any woman can find a place in my heart is by loving
Nyaradzo too. Hating and resenting Nyaradzo
sezvaunomboita is a big turn off to me Bella.” Munyaradzi
akadaro asina mufaro.

Page | 130
Bella akashamisika, akahutisa miromo ndokuti;
“Hezvoooo, mwana wako haataurwe nezvake nekuti ndiani?
Queen of England?”
Munyaradzi akange agumbuka; “Apparently yes, queen of
my heart. Ndagara for eight years now unmarried, because of
that girl. But because wakawana ndiri ndega ivo amai vake
vakange vave nemakore vafa, uri kufunga kuti ndiri kushaya
vakadzi vanoda kuroorwa here? Its just that handisati
ndawana a woman who loves my daughter enough to stay in
my house.”
Bella akambofunga ndokuti; “Inga zvakatooma.
Ndozvawaiudzwa nambuya vaye vaisekerera nonsense dzese
dzaiitwa nemwana wako? Ndosaka vakagara mumba mako
for as long as it takes. Une mhepo iwe. Unoraramira mwana
kuti zvaita sei? Ko paachakura akabuda umba iwe wosara
nani? Naivo mbuya vaye. It’s good I managed kuti vaende.
Nhasi ndaidii ini ndave kumboenda away for three months.”
Munyaradzi akadzungudza ndokuti; “You don’t get it do
you?”
“Kuti chiiko? How heartless can a man be? Chokwadi I
take you out for dinner kuti uzondiudza kuti zijembere
raikushandira is queen of your heart? Really Munya?” Bella
akadaro inzwi rakwira achibwaira bwaira nehasha.
Munya akashama muromo akashaya zvekutaura
ndokunyarara. Akashama n’ai ndokuti; “Ndave nehope.
Handei kumba.”
Bella akaridza tsamwa ndokuti; “And wakaoma, wave
kuda kundorara neni futi asi wange uchiita rough yese iyi.”

Page | 131
Munyaradzi akasaidzira chigaro chaakange akagara zvaive
neruzha ndokuti; “Bella c’me on. When you moved in
ndakange ndakudaidza here? Ok, kumba kwangu kune
hembe dzako. Chingotora dzese so I won’t trouble you.
Handiti unenge usipo three months dzese.”
Bella akasimuka ndokutevera Munyaradzi ave kumhanya
vave kubuda muhotera umu. Munyaradzi akandotyaira Benz
yake akanyarara kusvika vasvika kumba. Havana zvizhinji
zvavakataudzana. Bella akasvika achigeza ndokupinda
mumagumbeze orara. Munyaradzi akarara pasofa
ndokutanga kuona bhora paTv yaive mumba make mekurara.
Akabva azobatirwa nehope ndokurara vakadaro kusvika
kwaedza. Bella akazofuma oenda kumba kwake
ondogadzirira kuzokwira ndege husiku uhwu.
Mushure memazuva maviri Bella aenda kuUSA,
Munyaradzi akandotora mwana kuchikoro ndokubva
atondogara pamba zvachose masikati aya. Akaswera
achitenderera pachivanze pake achishaya pekubata chaipo.
Akazodiridza maruva achitamba naRosemary uyo aakange
akafara kuti mamma Bella vakaenda.
Tendai akazoendawo panze ave kundotanha muriwo
nehanyanisi dzaaida kubika musi uyu.
Rosemary akamhanyira kuna Tendai obva andosvetukira
kumusana kwake. Tendai akambotsveta zvaange akabata pasi
ndokubva abatira mwana kumusana.
“Ndave kutora towel ndibereke sisi veGrade 1 here nhai
Rose?” Tendai akadaro achitenderera akabatira Rosemary
kumusana.

Page | 132
Rose akatanga kusaidzira Tendai achiedza kuburuka; “No
no auntie, I am not a baby. Handichada, musandiise towel, a
towel is for babies please.” Tendai akaramba akashinyiridza
Rose kumusana vachirwisana Rose achiseka nekunyepera
kuchema achiedza kuburuka asi achikurirwa simba. Tendai
akazosiya mwana ndokuenderera nekutanha miriwo yake
yaaiisa mudhishi raakange abuda naro mumba.
“Yeeeees, auntie, ndini ndinocheka maonions nhasi
handiti? Tete mai Ngoni vakati ndicheke onions nice and
small. Ndoda kucheka saizvozvo.” Rosemary akadaro.
Munyaradzi akange odiridza panzvimbo imwe chete
mvura yave kuyerera pasina chinhu akatarisa mwana wake.
Apa Munyaradzi akabva ati; “Iwewe Rose, unofanira
kudzidza new things from auntie. Kwete kungoramba uchiti
mai Ngoni everytime.”
Rosemary haana kupindura, Tendai akapa mwana dhishi
raive nemiriwo ndokumutuma kuti aendese mumba.
Munyaradzi akabva ati; “Bella naRose vakatotadza
kuwirirana nekuti Rose keeps referring to tete mai Ngoni.
Bella haazvide, anoona seari disrespected.”
Tendai akaswedera padyo nepaidiridzwa ndokuti;
“Zvinoratidza kuti mwana akadzidza zvinhu zvihombe
kubva kuna mai Ngoni. Hazvina kuipa wani.”
“Iwewe you don’t mind kunzi ita samai Ngoni nemwana
mudiki here?” Munyaradzi akada kunzwisisa.
“Aiwa, paanondiudza zvaakadzidziswa then ndobva
ndaziva approach yavakashandisa, ndoenderera nayo kana

Page | 133
ndosiyanisa asi ndichibvumirana naye. Ko tingangodzima
munhu akarera mwana upenyu hwese here?”
Munyaradzi akagutsurira ndokuti; “And musi wavaenda,
akange akarara, she hoped kuti paanodzoka kuchikoro
vanenge vavepo. But paakandorara futi vasina kudzoka she
was heart broken. Akachema usiku hwese ndakatadza
kumunyaradza.”
“Yowee ko makaitirei utsinye kumwana kudaro……….”
Tendai akazoona adaro nekushamisika kwaakaita. Akatarisa
Munyaradzi ndokutyora muzura ndokuti; “Sorry
henyu………. Ndosaka achinyanya kudaro, she needs closure.
Ari kuita semunhu akafirwa akasaenda kurufu rwemunhu
waaida.”
Munyaradzi akabwaira bwaira ndokuti; “You are right, no
need to apologise. That was cruel to both of them. And inini
ndakakanganisira mai Ngoni. Even dai vakaenda taifanira
kuparadzana zvakanaka.”
Vese vakambonyarara, Munyaradzi ndokutarisa Tendai
ndokuti; “What do you suggest I do?”
“Ko mukandovaona? Munovashanyira naRose. Vese
voonana, ivo mai Ngoni semunhu mukuru vanoziva
zvekutaura kumwana. Voonekana naye zvakanaka.
Promising kuti vachazomuonazve. And pavanopindawo
muHarare vanokwanisa kushanya pano vachizomuonawo.”
Tendai akadaro.
Munyaradzi akanyemwerera chaizvo; “Ok, ok that will be
nice. Toenda teseka on Saturday morning. Bella asipo kudai

Page | 134
my weekends are free. And I am happy to do this to heal my
daughter. Thank you Tendai.”
“Ko ini ndinogoenda kundodii?” Tendai akadaro
achishamisika.
“So many reasons…..” Munyaradzi akadaro achiseka
chaizvo. “One, it was your brilliant idea. Two, mai Ngoni
vanofanira kuonawo munhu akaita take over from her. Three,
kana Rose akakuonai muchitaura mese she will appreciate
you more.”
Tendai akangoseka ndokunyarara. Munyaradzi akabva ati;
“Ndichavafonera mangwana and make an appointmen for
Saturday morning. We can buy some groceries.”
“Zvakanakai ndave kundobika.” Tendai akadaro
ndokufamba achidzokera mumba. Munyaradzi akaramba
akatarisa mureri wemwana wake uyu. Tendai akacheuka ave
pamusuo ndokubva vasanganidzana maziso. Munyaradzi
akasekerera, mukadzi ndokupinda mumba hana ichirova.
Musi weMugovera, Munyaradzi nemhuri yake vakafumira
kwaMurombedzi. Vakawana mai Ngoni varipo vakavamirira.
Rosemary akange asina kutaurirwa kwavaienda
akamboramba akagara mumota akatarisa tete mai Ngoni
asingade kutaura navo. Akazobuda ndokuvambundikira
ndokuchema sekuchema kwaakaita musi waakatanga kurara
vasipo. Akazonyarara ndokuti; “Makandisiya, makaendepi.”
Munyaradzi ndiye akazoita mwana wekutukirira kuti
aifanira kufara nekuti ange avaona. Munyaradzi akazoita kuti
mai Ngoni naTendai vazivane. Mai Ngoni

Page | 135
vakangokwazisawo Tendai zvemutemo asi vese vakaona kuti
akange asina kufarirwa.
“Kune mbudzi yenyu uko baba vaNyaradzo. Iwe Ngoni
daidza vakomana mundouraya mbudzi mese.” Mai Ngoni
vakadaro.
Ngoni akasimuka ndokuenda kundodaidza vamwe,
Munyaradzi akabva ati; “Tete ndauya kuzokumbira
ruregerero. Mabviro amakaita pamba pangu ange akaipa.
And inini ndini ndakakanganisa.”
“Ah heeya. Makandoroora Bella riiniko?” Mai Ngoni
vakabvunza.
“Handina kundoroora………..” Munyaradzi akabva
adimbudzirwa.
Mai Ngoni vakabva vati; “Asi muchiri mese henyuka?
Handiti ave kugara mumba menyu?”
Munyaradzi akambonyarara ndokuzoti; “I am sorry tete,
ndiregerereiwo. Kunyangwe dai yange yasvika nguva yekuti
muchibva pamba pangu, zvaifanira kuve pakati pedu tiri
vaviri. Ndakakaknganisa.”
“Zvakanakai baba Nyaradzo. Ndairwadziwa nazvo asi
zvamauya kudai zvanaka. Ndaona kuti Nyaradzo anofara.
Zvaave kuchengetwa nehama yaBella uyu yaakandidzingira.”
Munyaradzi akabva ati; “Tendai na Bella havana ukama.
Bella paakati mubve pamba hapana munhu waakange awana.
Akazongobvunzawo vaaishanda navo and coincidentally
Tendai aitsvagawo basa ari kumusha, sisi vake vanoshanda
naBella. Zvese zvamunofungira Bella, kana mashoko ese

Page | 136
amusina kufara nawo akataurwa naBella, kana Tendaiwo
anogona kutokuudzai kuti anotukwawo saizvozvo.”
Mai Ngoni vakatarisa Tendai ndokunyemwerera.
Munyaradzi akabva ati; “But Tendai angade kukuudzai kuti
ndiye aita kuti ndiwane courage to come see you Tete.
Achikuudzai kuti abaiwa nekuudzwa how things are
supposed to be done your way mumba medu. Zvese zvese
Rose anongoti, tete mai Ngoni vaiita seizvi.”
Vese vakaseka ndokutarisa Rose uyo akange agara akabata
ruoko rwatete mai Ngoni.
Munyaradzi akasimuka ndokuti; “Maita basa tete
nembudzi yamandipa. I don’t deserve to receive anything
from you. Thank you. Regai ndiendewo kune vakomana.”
Mai Ngoni vakasara ndokuti kuna Tendai; “Inga ndakange
ndakatsamwira munhu wandisingazive. Chete ndakabuda
mumba macho zvisina kunaka.”
Tendai akashaya kuti opindura kuti chii. Akaramba
akanyarara, mai Ngoni ndokutizve; “Ko iye chaari kuchaira
mapoto nanhasi achirega kuroorwa chiiko? Achasiiwa
rwepiri.”
“Rwepiri? Sei?” Tendai akazobvunza nyaya dzamaboss
dzonakidza.
“Vakadanana kuCollege, ndokubva baba veuyu vaona
amai vake Joyce. Ndokundoroora mai Nyaradzo iye aripo
nekuvhengedzera kwake kunge ndiye akangwara kupinda
nyika yese. Akazobudikira ipapa ndokuziva kuti amai
Nyaradzo vashaya ndokuzvipinza mumba ega. Upenyu

Page | 137
hwese baba Nyaradzo hapana mukadzi waakambogara naye
mumba make mune mwana wake.”
“Inga zvakaoma.” Tendai akadaro.
“Kana baba Nyaradzo vakaroora mukadzi uya ummm
mwana anenge apinda dambudziko uyu.” Mi Ngoni
vakadaro zvakare.
Tendai akabva azoti; “Ko takaenda kuchechi kuLiving
Faith, takaita nguva yakanaka zvakanyanya. Vanhu vese
vaingobvunza Rose kuti ko Tete varipi.”
“Haaa chokwadi here? Seven years ndiriko vese vange
vondiziva saTete vaRose. Vaiveko here mai Rachie, ndiye aive
shamwari yechokwadi yamai Rose.” Mai Ngoni vakadaro.
“Ndivo vakazotitora tikaenda navo.” Tendai akadaro.
Vakambonyarara vese, mai Ngoni ndokuzoti; “Ndafara
kuti Nyaradzo anogara nemunhu asina ukama naBella. Iyewo
baba vacho adzidza. Haachaudzwa zvekuita nemunhuwo
zvake. Rose akazowanawo munyaradzi wakewo.”
Tendai akanyemwerera, mai Ngoni vachisimuka
kundokuchidzira moto wavo.

Page | 138
CHITSAUKO 14

Mushure memaSvondo maviri Munyaradzi abva


kwaMurombedzi, mai Ngoni vakashanyawo kuGreendale.
Vakabva vakaronga kuzorara usiku humwe chete, asi Tendai
akada kudzidziswa zvakawanda zvekuti vakazopedzisira
vagara mazuva matatu. Kuvepo kwamai Ngoni kwakadzosa
mufaro waRosemary uye akabva anzwisisa kuti vaizoenda
vachidzoka.
Mai Ngoni naTendai vakawirirana kunge masahwira
emakore, uye vakadzidzisana semwana nemubereki wake.
Vakaparadzana ari mafaro chete. Musi wavakadzokera,
Munyaradzi akavaperekedza ega kumabhazi. Mai Ngoni
vakada kuziva zvakawanda ndokubvunza babamudiki vavo;
“Saka mucharoora riini nhai babamunini? Kugara
kwamakaita naBella dai zvachipfuura. Hazvina kunaka kuti
Rose azoona mave kuunza mumwezve mukadzi mumba
menyu.”
Munyaradzi akambofunga ndokuti; “This time ndaifunga
kuti ndichamuroora Bella but hey……… not anymore.
Haafarire mwana wangu and zvandakambomusiira
pakutanga ndozvaari nanhasi. Too quarrelsome.”
Mai Ngoni vakatura befu ndokuseka. Vakabva vati;
“Ndafara bamunini hey. Ndange ndati ko imhepo rudzii
yakusimukirai.”
“No tete, don’t worry I know what I am doing.”
Munyaradzi akadaro.
Page | 139
Mai Ngoni vakabva vati; “Saka modii? Mucharoora ani?
Riini?”
Munyaradzi akasekerera ndokuti; “Hameno tete, but
ndakamirira kudzoka kwaBella kuti ndipedzerane naye.
Kubvira paakaenda nazvese zvakasara zvichiitika ndakaona
kuti hapana futi marriage pakati pangu naye.”
“Dai machimuudza aregera zvekuzosiya hope mumba
menyu bamudiki.” Mai Ngoni vakadaro.
Munyaradzi akati zvakare; “Even asati aenda,
takatombonetsana ndichiedza kumutsiura. Problem haaone
zvaanoita iye. Anongoona zvinoitwa nevamwe, anongoona
kuti pane vari kumutadzira.”
“Izvozvo zvave zvake.” Mai Ngoni vakadaro.
Munyaradzi akambonyarara achifunga kuti otaura here
kana kuti orega. Akazoti; “Ndinonyara zvandiri kufunga tete
but munhu wandinoda, anokwanisa kuve mudzimai wangu,
naamai vaRose, ari paduze dhuze.”
Mai Ngoni vakanyemwerera ndokuti; “Ndiri kukuonai
babamunini. Mukaregera achienda hameno zvenyu. Kana
inini ndakachengetwa zvakanaka mazuva ese andange ndiri
mumba menyu. Paye pane mukadzi wezera renyu chaiye.”
Munyaradzi akaseka chaizvo ndokuti; “Is it so obvious kuti
ndinoda Tendai?”
“Kuti munodananaka nhai bamunini? Kana mbuya vaRose
kuNorton vakazvitaura asi ndakange ndisingamuzive uye
ndaifunga kuti ihama yaBella. Asi apa ndaiona imba yenyu.”
Mai Ngoni vakadaro.

Page | 140
Munyaradzi akaseka ndokunyarara. Vakabva vasvika
paive nemabhazi ekwaMurombedzi. Mai Ngoni vakakwira
ndokuenda kumusha kwavo.
Kunzwa kuti amai vake vakaona rudo pakati pake
naTendai, uye kutsigirwa natete mai Ngoni, kwakapa
Munyaradzi kugutsikana nemukadzi aive mumba make.
Akange anonokerwa nekudzoka kwaBella kuti apedzerane
naye.
Zvisinei, mazuva akafamba, Bella ndokudzoka muguta.
Akafona achida kuzotorwa kuAirport, asi Munyaradzi akati
akange akabatikana. Akafonazve kuti ave kumba, asi
Munyaradzi haana kumushanyira.
Chakachenjedza ndechakatanga, mushure memazuva
mana adzoka, murume asina kushingirira kumuona, Bella
akaenda kumba kwaMunyaradzi. Akaenda ari masikati
nguva dzebasa kumba kuine mwana nemusikana webasa.
Bella aitarisira kutaurirwa nhoroondo dzakareba naTendai
asi hapana chakataurika. Akakwanisa kuzoseka seka naRose,
uyo akangobudisa kuti mai Ngoni vakange vambouya
vakagara pamba apa kwemazuva.
“Ko iwe sei kusandiudza kuti mai Ngoni vakambouya
pano?” Bella akabvunza Tendai akatsamwa.
“Mai Ngoni ndiani?” Tendai akabvunza asingasimudzi
musoro pane zvaaiita.
“Ndivoka mbuya vawakatorera basa repano damn it.
Usazungaire wave kuda kudzokera kumusha zvino.” Bella
akadaro nehasha.

Page | 141
“Hama dzavo dzaiuya pano dzakawandisa ini
handingazive ndaingoita basa rangu.” Tendai akadaro.
Bella akange akwidza inzwi; “Basa rako ripiko raunoziva.
Ndini ndakakuwanisa basa pano to spy for me. Everyday
ndaikutumira messages ndichibvunza kuti zvii zviri kuitika
waindinyepera. According kune zvataurwa nemwana uyu,
mai Ngoni vakagara pano kwemazuva akatowanda.”
Tendai akaramba akanyarara. Bella akaswedera padyo
naTendai kunge akange oda kumurova; “Uri kudivi ripiko
iwe? Wave kuvhara nyaya dzandakati ugarire pano? Asi
unopenga? Ndichataura nasisi vako. Ugadzirire kudzokera
kumusha wanzwa?”
Bella akaramba achipopota; “Wakauya pano apa
uchisemesa nenhamo, hapana aikuda mumba muno. But I
had to fight kuti ugare muno. Now watsvukira nemafuta
nemvura zvandakakuwanisa wave kutadza kuteedza a simple
instruction? Mahips nechiuno zvazaraka wave kuonekwa kuti
uri mukadziwo pane vamwe ……………..”
“Bella that’s not a way to talk to someone wawakabatsira
sekutaura kwako. Seiko uchingotukana nevanhu vese?”
Munyaradzi akadaro. Bella akavhunduka ndokumbonyarara.
Akange asina kuona kupinda kwaMunyaradzi muchivanze.
“Mai Ngoni vakauya pano, hapana akandiudza. Uyu
musikana ave kutondiitira attitude. Ngaachibva pano.” Bella
akadaro zvakare.
Munyaradzi akange asisina kuremekedza Bella senguva
dzakapfuura; “Hamusi mave kuzvinyanya here Miss
Matongo? Wange uchifanira kundibvunza inini. I decide who

Page | 142
comes and goes in my my house. I hope hauna kubvunza
Rose twunyaya itwotwo. Zvemwana wangu anobvunzwa
zvakadaro ndakambokuudza handizvide.”
“Manje mwana wacho ndiye ega anotokwanisa kutaura
chokwadi.”Bella akadaro.
“You are joking right.” Munyaradzi akadaro ndokufamba
achienda kumba yake yekurara, Bella akatevera achipopota.
Tendai achitura befu nekusiiwa ega.
Munyaradzi akabva ati; “Mai Ngoni is a part of this family.
Even vakasauya pano, kwana amai kuNorton vanogara
varipo. Actually, I had to apologise to her for the unfair
dismissal that you foolishly did and I was ungrateful
kuvaitira zvakadaro.”
Bella akapererwa ndokugara pamubhedha. Akabva ati; “I
don’t trust that girl, Tendai she must go. And she is stupid.
Kusaona kuti mai Ngoni vakauya pano anotorerwa basa
rake.”
“Noone is leaving. Iwewe Bella, ndiwe une problem
navanhu vese vari muupenyu hwangu, you must leave.”
Munyaradzi akadaro.
Bella akaita dzungu rekushamisika. “Are you breaking up
with me? Again??”
Munyaradzi akaramba akanyarara. Bella akazhambatata;
“Talk Munya, talk you bastard.”
Munyaradzi akange ave kushatirwawo; “Bella be realistic.
Iwewe haufe wakada Rose nekuti akafanana naJoyce. Joyce
wawakavenga again even iye akange asingakuzive. Vese
vanoda mwana wangu hauvafarire. Tendai ndakange

Page | 143
ndisingamude pano, but you forced her in. Now wave kuti
abve futi? Asi hauna zvekuita neupenyu hwako nhaiwee?”
“Kana ari Tendai ndinomudzinga ndega. Ndini ndoziva
kwandakamuwana. Ndini ndichandomudzorera.” Bella
akadaro.
Munyaradzi akange ave kusvotwa nenhaurirano iyi; “It’s
fine. Do it fast. Tora Tendai mubve pano mese. Take again
anything and everything chawakauya nacho pano. Then we
end this madness.”
Bella akaramba akanyarara akagara pasi. Munyaradzi
akadaidza Rosemary ndokubuda nemotikari yake.
Bella akamboita nguva ari mumba ndokuzoenda kumba
yekubikira kwaive naTendai; “Chii chaizvo chakaitika
pakauya mai Ngoni?” Bella akabvunza Tendai.
Tendai akakwidza mapipito achitaridza kushaya ruzivo
nazvo.
Bella akabva ati; “Iwewe wakapusa. Hausi kuona kuti
kuuya kwavakaita pano basa rako ratopera? Hapana
chauchagarira pano. Mwedzi uno haupere uri pano. Vave
kutodzoka.” Bella akadaro.
“Asi ivo baba vaRose havana kumbodaro. Mai Ngoni
pavaive pano vakandidzidzisa zvinhu zvakawandisa zvepano
pamba. Zvese zvaigarotaurwa naRose vakazondidzidzisa.
Saka ndinoshamisika kuti vese vari vaviri vaizoti
ndidzidziswe basa repano sei kana ivo voda kudzoka.
Hameno.”
Bella akashamisika ndokumbonyarara achifunga.

Page | 144
Tendai akabva atizve; “Kunze kwekuti muchireva
zvamunogarotaura kuti ndimi makanditsvagira basa kana
mave kuda kuti ndibve hapana anorambidzai.”
“Ko inhema here?” Bella akadaro.
Tendai akabva ati; “Hapana mubereki anofarira munhu
asingade mwana wake. Mai Ngoni kana inini kana ani zvake
hapana zvatinokwanisa kuita pakati penyu navaShumba.
Zvamunoitirana muri vaviri ndopane nyaya yese. Imimi muri
kuita kuti vaShumba vasarudze pakati penyu nemwana
wavo, obviously vanosarudza mwana wavo. Mai Ngoni
havanei nazvo zvamuri kuvafungira.”
“Whaaaaat? Ndozvaakataura Munya?” Bella akange ohuta
nehasha.
“Ndangoti tionesane, musati manyanya kupomera vanhu
mhosva. Uye musati mawana vavengi vakawanda.” Nhare
yaTendai yakarira pachipinda message yepaWhatsApp.
Tendai akanhonga nhare yake yaive patafura ndokufamba
obuda panze achisiya Bella mumba mekubikira umu.
Akandomira panze ndokuvhura ndokuona murume
wavairwira atumira message yaiti; “Kana Bella aenda
undiudzewo ndidzoke kumba. I am very tired ndoda kudzoka
ndizorere. Sorry about zvese izvi. You don’t deserve this.”
Tendai akangoti; “Ok.” Akaramba akatarisa mufananidzo
waMunyaradzi waive apa ndokusekerera.
Bella akange arwadziwa nezvakange zvataurwa
naMunyaradzi zvikazotsinhirwa naTendai. Akaona kuti
pamba apa pakange pasina chake musi uyu. Akafunga kuti
amboenda kumba kwake vozotaurirana pazuva raitevera

Page | 145
kana hasha dzapera. Akamutsa motikari yake ndokuenda
kumba kwake.
Munyaradzi akadzoka pamba pake Bella achangobvapo.
Akawana Tendai ari mumba maRose ave kutsvagira mwana
mbatya dzekuti ageze manheru aya agopfeka.
Rosemary akangosvika achipinda muBath Tub makange
mazadzwa mvura inodziya ndokutanga kutamba mumvura
achizvigeza ega.
Munyaradzi akasvika ndokubata Tendai maoko ndokuti;
“I am sorry Tendai. Ndakatadza kufunga kuti pane
zvingabude pakati pangu naBella. And worse ndabva
ndakupinza pakati penyaya dzacho. So sorry.”
Tendai ange angoti tumbi sechidhori, Munyaradzi ange
anyanya kuswedera padyo naye. Kunhuhwirira kwaaisinzwa
pambatya dzaboss-man ava achiwacha nekuayina kwakange
kwauya nemunhu wacho chaiye. Mukadzi akaita dzungu , asi
akazvibata.
Akazvibvisa mumaoko aMunyaradzi ndokuswedera
kumashure, akabva ati; “Vabva pano vasina mufaro. Vari
kufunga kuti inini namai Ngoni takonzeresa kusawirirana
kwenyu.”
Munya akanyemwerera achiswedera kwaive naTendai
zvakare ndokuti; “Bella is right, ndiwe wakonzeresa. Wakaita
kuti ndione kuti Bella haasiriye wandinoda.”
Tendai akadududza zvakare. Akange asina chekutaura
pamusoro pevanhu vaidanana naBoss-man wake.
“Iwewe ndiwe wandinoda Tendai, ndiwe mudzimai
wangu. Mai vaRose” Munyaradzi akadaro. Tendai akafamba

Page | 146
ave kuenda kumba yekugezera kwaive naRose. Munyaradzi
akadaidzira achiti; “Ndave kurara, usandisiire supper.”
Munyaradzi akandopinda mumba make ndokuzvivharira.
Tendai akandogezeza Rose ndokubuda vave kundodya
kumba yekubikira. Mudumbu maTendai maiita semuri
kufamba majuru. Kana sadza akatadza kurimedza. Kuvhurika
kwemisuwo kana rumwe ruzha rwaiitika mumba umu
kwaiita kuti hana yake isvakukire mukanwa.
Paakangopedza kupa mwana chikafu, akandomurarisa iye
ndokupindawo mumba make mekurara. Kekutanga musi uyu
akakiya musuwo wake asati arara.
Akarara mashoko aiti; “Iwewe ndiwe wandinoda Tendai,
ndiwe mudzimai wangu. Mai vaRose” achirira munzeve dzak e.
Hana yake yairovawo nekuda murume uyu.
Asi ndiye aive munyaradzi akange anamatirwa
navamwene vake kwaakange abva? Akaseka kuti aizovaudza
sei zvakadai. Kuti ex-vamwene, ndinotenda minamato yenyu
yakandipa mumwe murume ari nane pane mwana wenyu.
Tendai akamuka achivhunduka sezvo akange anonoka
kugadzirira mwana wechikoro. Akakurumidza kuitira Rose
zvese zvaaida ndokusiya mwana agara mumba
mekutandarira amirira baba vake. Iye ndokuenda kuseri seri
kwemba achitiza kusanganisana maziso nemurungu wake.
Apa aitove nedzungu rekufunga kuti asi akange arota
achiudzwa rudo here nababa ava. Hana yake yairova.
Akange akabata mutsvairo wekunyepera akazembera
madziro achifunga zvazvaireva muupenyu hwake.

Page | 147
“Tendai………” Munyaradzi akadaro amira padivi
paTendai kuseri kweimba.
Tendai akavhunduka zvekuti akapera simba mumabvi
akabatsirwa nekuzembera madziro kwaakange akaita.
Munyaradzi akaenderera; “Nezuro ndakange ndisina
kudhakwa. Handisi kuzokumanikidza zvausingade kana
kukupa pressure inoita uve uncomfortable mumba. But I
repeat………. Ndiwe mukadzi wandinoda. Think about it.”
Munyaradzi haana kumirira mhinduro, akapinda mumota
yake ndokuenda.

Page | 148
CHITSAUKO 15

Mazuva ese akatevera, Munyaradzi haana


zvaakazonyanya kutaura kuna Tendai. Vaingoita sehama
nehama dziri kugara mumba mumwe chete, kwete
semushandi nemushandirwi. Asi Munyaradzi haana kuda
kuramba achitaura nyaya yerudo. Tendai haana kana m unhu
waakakwanisa kuudza nyaya iyi. Akatya kuudza mukoma
wake kuti murungu akange oda nezvake akafunga kuti
aizosiiswa basa.
Kana pakafona sisi Petty vachiti vakange vataura naBella,
vese vakaona kuti Bella aingonongedza mai Ngoni. Saka aida
kuti Tendai amubatsire kurwisa mai Ngoni. Akaona kuti Bella
hapana chaaiziva, saka vakoma vake hapanawo chavakaziva.
Pakupera kwemwedzi uyu, zvikoro zvakange zvavharwa,
Tendai akafunga kuenda kumba kwavo kuBondolfi. Akataura
naMunyaradzi kuti aida kumboenda kumusha kwake
kweSvondo rese. Munyaradzi akaona zvakanaka kuti munhu
ambonzwa mhepo. Kana paaizodzoka kuda vaizokwanisa
kutaura zverudo.
Rosemary paakanzwa auntie Tendai vachitaura
nekurongedzera zvekuenda kumusha kwavo, akabva ati aida
kuendawo. Akatanga kutaura nababa vake kuti aidawo
kuenda kuMasvingo kumusha kwana Tendai.
“Kana zvichikuitirai, ndinokwanisa kuenda naRose
kweSvondo iroro randinenge ndiri kumusha.
Ndinondomuchengeta hapana chakaipa.” Tendai akazodaro
Page | 149
apo Rose akange ave kungochemera baba vake nguva dzese
kuti aidawo kuenda kuMasvingo.
“Zvinoita here izvozvo? Handiti unodawo kundoona
mwana wako pasina kukanganiswa?” Munyaradzi akadaro
asina kutarisira zvakadai.
Tendai akabva ati; “Rose akura uyu, mwana wangu
mudiki. Vanondotamba vese. Kana akaita problem
ndinokuudzai, ndinobva ndatodzoka naye. It’s just one week
handina problem nazvo. And hama dzangu hapana angaite
problem nazvo.”
Munyaradzi akambofunga ndokuzoti; “Ok, if you say so.
Saka regera ndikuwedzere some groceries, just a few cereals
kuti Rose asandochinja food too much. Ndichandotenga
ndiuye nazvo paLunch time.”
Rosemary akange afara chaizvo akabva ati kuna baba vake;
“Daddy can I take all my teddy bears and give Chido please. I
don’t want them anymore.”
Munyaradzi akaseka ndokuti; “Ummm, saka dai ndati no,
zvaiita here iwe wange watoronga zvekundoita
kuMasvingo?” Vese vakaseka Tendai ndokupedzisa
kugadzirira vese kuti vachibuda vaende.
Mushure mekutsvaira tsvaira nekugadzira mumba. Tendai
akatanga kugadzirisa mitundu yake. Aive nezvakawanda
zvaakange atenga pamwedzi yese yaakange agara muHarare.
Kana mbuya vaChido, amai vaJacob akange avatengerawo
twekudya nezvekupfeka.
Masikati, Munyaradzi akadzoka kumba nezvaakange
atenga ndokutambidza Tendai. Kwaive kuwedzera chikafu

Page | 150
pane chimwe. Murume aityira kugara kwemwana wake. Uye
aida kuti vanhu vaindochengeta mwana wake vazviite
vakafara, vakaguta.
Munyaradzi akabva azoti kuna Tendai naRose; “I have got
good news for us. Tiri kuenda tese kuMasvingo. Ndiri
kutevera some contracts angu, then ndonokusiyai kumba
kwana Tendai. How is that?” Zvaifadza chose. Asi Tendai
hana yakarova kundosvika pamba pavo nemurume uyu,
nemwana wake, nezimota rake. Vabereki vaizoti chii? Ko
vanhu vemuraini vaizoti chii.
Paakawana mukana, Tendai akabva afonera vakoma vake.
vakamboseka dzimwe nyaya Tendai ndokutaura
zvaimunetsa.
“Chaicho chaicho chiri kukunetsa kuti waperekedzwa
naboss wako chii?” Petronella akabvunza.
“Vanhu vanozoti chii? Vana baba vanozoti chii?” Tendai
akadaro.
“Haiwawo, kana dai wange wasvika nezvimota or
nemaKombi anofamba Bondolfi – Masvingo vaiti chii? Uri
kuzeza mota dza Shumba dzakanaka kupinda kaskoroskoro
kaJacob here kana kuti uri kutozeza kuonekwa uina S hum ba
vacho?” Vakoma vakada kunzwisisa.
Tendai akambopererwa nemhinduro. Petronella
ndokuseka achiti; “Tichakunzwai, hausiwe wakadzingisa
Bella here iwe? Nekuti kupupurira kwako mai Ngoni asi Bella
odzingwa pane chikonzero.”
“Aaah, sisi nhai. Regai ndipedzise kurongedza hangu.”
Tendai akadaro ndokudzima nhare vakoma vasati vapindura.

Page | 151
Akange ari masikati aChitatu apo vaPoga nemhuri yavo
vakange vakagara muchivanze chavo. Vese vakange
vakatarisira kuuya kwamai vaChido, Tendai. Baba
vaMasimba vakange vafumira kusuka bhara ravaisengesa
munyowa avaiisa mubindu remuriwo raive pamba pavo.
Vaiziva kuti kana sisi Petty vachiuya kubva kuHarare,
vaindotora mapasuro kaviri kana katatu, vachizadza bhara
kubva kumugwagwa. Zvino zvavakange vave vaviri
kuHarare, vaiziva kuti vasikana vepamba apa vanotenga
chaizvo.
Vaingoti vakanzwa kutinhira kumugwagwa, vombomira
kuita nyaya votarisa kumugwagwa vachiona vaiburuka.
Nguva yavaitarisira kuti Tendai achasvika yakapfuura asi
havana kurasa tariro. Tendai akange apedzisira kutaura
nehanzvadzi yake achiti akange abuda muHarare, saka
aizosvika kumba musi uyu.
Tendai naMunyaradzi vakange vabuda muHarare 8
dzamangwanani dzichichaya. Asi sevanhu vaifamba
vachimbomira uye kuita nyaya dzakasiyana siyana havana
kukurumidza kusvika nguva yaitarisirwa.
Munyaradzi akatora mukana uyu kubvunza Tendai
zvakawanda nezvemhuri yake. Pakugarisana kwavo, vakange
vanyanya kutaura nezvekwana Jacob kwakange kwabva
Tendai. Asi musi uyu ainzwa semukwasha ari kundoroora.
Aida kuziva zvekutarisira pahama dzaTendai.
Vakasvika muMasvingo masikati, Munyaradzi
ndokundotsvaga pekurara paRiverside Lodge. Akambogeza
uye kubudisa mbatya dzake mumotikari. Tendai ndokusara

Page | 152
mumba maizorara Munyaradzi achimurongedzera mbatya
dzake. Munyaradzi naRose vakandogara panze ndokutenga
zvekunwa. Tendai akasiya arongedza dzese nekutwasanudza
zvakare. Tendai aiti ari kuitira boss-man vake. Asi Shumba
ava vaiona mudzimai airongedzera murume wake. Pashure
vakazosimudzira rwendo voenda kuBondolfi.
VaPoga nemhuri yavo vakazvaura meso vakatarisa
kumugwagwa apo Ford Ranger yakafamba zvinyoro nyoro
ichipinda mumusha mavo. Kana kutambira vanhu vakatadza.
Chido akatarisa amai vake akavakanganwa ndokuramba
akanamatira pana mbuya vake.
Mushure mekukwazisana, Tendai akaita kuti vanhu vese
vazivane. Hapana akawana chekutaura, vese vaive
nemubvunzo mumwe chete, kuti kuwirirana kwemushandi
nemushandirwi rudzii kwekuperekedzana kumatongo.
Zvisinei, Munyaradzi haana kuzonyanya kugara, akabva
aoneka ndokudzokera kudhorobha reMasvingo.
Mhuri yese yakafara kuona Tendai aine hutano hwakanaka
kutopinda zvaaive paaive mhandara. Baba vake vaive munhu
asingataurise asi musi uyu vakati; “Dai ndakaziva kuti
ndozvakakurongera Mwari izvi dai ndakakubvisa
kwaZivanai kare kare mai Chido wena. Ndafara mwanangu,
kubasa kwako kwakubvuma wena.”
Apo madzimai vakange vave vega, mai Masimba vakabva
vati; “Tete muri kuyevedza, ndiri kunzwa kuti dai tandoona
Zivanai izvozvi. Ndoda kumutora video yekumeso kwake
paanotanga kukuonai tete kani.” Vese vakaseka.

Page | 153
Tendai akambonyarara, ndokuzoti; “Iye ari sei hake baba
vaChido?”
Mai Masimba vakabva vati; “Nyaya dzake dzinopera here?
Asi zvave nane, chipfambi chinonakidza une mukadzi
mumba. Kana pasina wauri kushungurudza, pasina
anokubvunza uchiraramira izvozvo hazvizonakidzi.”
Mbuya vaChido vakatiwo, “Kwaanikowo, haachina mari.
Garden nehuku zvese hapachina. Handiti akange ajaira
kungowana mari iripo zuva nezuva asina hanya nazvo kuti
yabvepi. Paakambopedza kudya zvawakasiya zviripo,
zvakabva zvaperawo.”
Mai Poga vakaenderera mberi; “Musi weSvondo uyu
handiti ndakandoswera navamwene vako. Vaingodemba kuti
mwana wavo achazovei. Vaingokudemba kuti dai wadzoka.”
Tendai akabva ati; “Sorry havo mbuya vaChido, vakaedza
zvavaikwanisa semubereki asi zvakashaya basa.
Ndichandovaona mangwana. Ndavavigirawo kapasuro
kavo.”
Mai Poga vakabva vati; “Wakagona wena, vanonzwisa
tsitsi zvakanyanya vega vega. Madzimai echidiki eNzanga
nevasikana veNzanga yaMaria ndovanombovashanyira. Iko
kamwe chete pavhiki. Upenyu haudi vanongoshanya
vachipfuura, zvinodawo vako vanogara vari muupenyu
hwako.”
Mumba makambonyararwa. Mai Masimba ndokuti; “Boss
venyu tete, kungokufarirai chete kuti munogona kuwacha
kwakutokupai nemwana wavo zvese? Handiti makati
vakafirwa nemukadzi, mai vemwana uyoyuka?”

Page | 154
Tendai akagutsurira, akabva angoti; “Hongu havana
mukadzi. Vange vachiuyawo kuMasvingo kuzoita
zvebhizimisi ravo tikangofambidzana.”
Mbuya vaChido vakasimuka vachigomera vachiti; “Bva
mwoyo wakanaka ndopamusha.” Vakabva apa vachisiya tete
nemuroora vari vega. Mai Masimba vakatarisa vamwene vavo
ndokusekera muhapwa.
Pazuva rakatevera, Tendai akatora Chido naRose
ndokufamba voenda kumba kwambuya Zivanai. Vaifamba
zvishoma zvishoma vachitamba sezvo Rosemary kufamba
kwaimunetsa.
Tendai akasarudza kuenda nguva dzaaiziva kuti Jacob aive
kubasa, aida kuti baba vaChido ava vangozonzwa kuti
akange ambosvikapo. Akawana mbuya vakagara vega panze
vachinwa putugadzike nembambaira. Mbuya vaChido
vakasimuka vakamhanya sechimhandara pavakaona muroora
wavo achipinda muchivanze chavo. Vakambundikirana
nemufaro mukuru.
Muchembere akabva awedzera kapu dzetii. Tendai
akamboramba tii iyi uye kurambira vana kuti pamwe vaisada.
Rose akange amukira kudya macornflakes. Pavange vouya
akange aramba tii nemabhanzi avakange vabva nawo Harare.
Ndokutanga kutambisa mabhanzi aye achipfupfunyurira
huku dzaimutevera.
Apa Tendai akazeza kuti vana vaizotambisa chikafu
chambuya vaChido. Asi mbuya ndimbuya vakashingirira
ndokuwedzera mamwe makapu nedzimwe mbambaira.

Page | 155
“Zvino monwiswa tii isina mukaka. Jakopo anongoti zuva
nezuva ndakanganwa kuuya nemukaka. Mai Noku
ndovanotombondirangarira kana vakandotenga mukaka
wavo.” Mbuya vaChido vakadaro.
Tendai akabva avabatsira kudirira vana tii iya. Rosemary
akapfunya chisero ndokutanga kudya. Akatanga achiravira
kuda kunzwa kuti zvainaka sei. Mwana akanakirwa
ndokudya zvese ndokukumbira kapu yepiri. Mai Chido
nambuya vaChido vakaseka kuti mwana haarambirwe
chinhu.
Vamwene vakabvunza muroora nezvekubasa kwake
kwaaishanda. Tendai akataura zvishoma zvekumba, asi
zvakawanda zvaakange adzidza kuchechi kwaaienda. Mbuya
vakaterera nenzeve dzemoyo. Kana Shoko raaitaura rakange
ramupa utano nemufaro waairatidza, saka kana naivowo
vaizozviwana.
Jacob akabva asvika pamba apa vasingatarisire. Vese
vakambonyarara, Jacob achiongorora mukadzi aive mberi
kwake.
“Mai Chido ndiwe? Inga waita zvakanaka wafunga imba
yako. Mai vaigara vachingodemba kuti uchadzoka riini izvo
waive munzira hako?” Jacob akadaro achishaya kuziva
zvekutaura zvaizoita maturo kumukadzi waakange
aparadzana naye vachivavana.
“Makadii baba Chido. Ndangoti ndipfuure ndichiona
mbuya vaChido.” Tendai akadaro kutya nekuzeza Jacob
kusati kwapera.

Page | 156
“Dzoka wena mudzimai wangu. Iwe ungade kuti Chido
akure asina vabereki vake nekuda kwei? Twunyaya tusina
maturo. Ndeipi imba isina vanombotukana asi
vanongozofarazve” Jacob akadaro.
Mbuya vaChido vakabva vati; “Ndozvandange
ndichimuudza asi, matukano emumba haafaniri kusiya
mumwe ave muchipatara.”
“Haaa, mhai mabvunzwa naniko? Muri kudivi raani
zvakare.” Jacob akadaro nehasha. Dziya hasha dzairovesa
hana yaTendai nekutya.
“Ndiri kudivi rechokwadi.” Muchembere akadaro.
Tendai akasimuka ndokubata vana vake maoko ndokuti;
“Tave kuenda. Amai ndakuonai. Kana ndikawana mumwe
mukana ndichazokuonai zvakare ndisati ndadzokera
kuHarare. Kana ndatadzawo mozosara zvakanaka.”
“Wave kuendepi? Hoooo saka zvange zvichitaurwa kuti
wakauya nechikomba chine zimota rinenge tarakita
ichokwadi? Wakandowana vakomana vekuromba ava
Harare. Ndowawave kundirambira? Ndowawave kusiira ini
naChido?” Jacob akadaro.
Mbuya vaChido vakabva vati; “Iyezvino ukangoita
hovhiyo yako mai Chido vanokusiya mujere.”
Jacob akaita hasha. Kusanduka kwakange kwaita Tendai
asi asingade kuve nechekuita naye kwakamupa hasha
dzekutoda kupaza paza musoro wake kuti muchinda wacho
aitaurwa muraini azomushaya. Asi akatya jere.
Akafemuruka ndokuramba akatarisa mai vaChido, avo
vakabva vasimuka; “Asi mwana wangu hapana kwaanoenda.

Page | 157
Unosiya mwana wangu ugondombeya uri wega uchihura
kuMbare. Wakazondowana mafuta anoendereana neweka.
Asi waidya fertilizer? Saka wange wauya kuzoshaina pano?”
Tendai akacheuka ndokuti; “Mwana ndakagara ndasiya
wani. Torai mwana wenyu muchengete mega.
Ndomuchengeta nguvai ini ndichienda kubasa?”
Jacob haana kunge atarisira mhinduro iyi, akange achida
kuti Tendai adembe nekukumbira kusatorerwa mwana. Aida
kuti nyaya yemwana irambe ichidzosa Tendai kuzotaura
naye.
Achiri kufunga kuti oti chii, Tendai akabva ati;
“Ndomusiya here izvozvi? Muende kushopping yembatya
nechikafu chemwana. Kana kuti muchauya momutora
zvachose. Riini? Hapana chekugadzirira nekuti hapana bag
rinorongedzwa munhu achienda kuna baba vake.”
Jacob akaridza tsamwa, akadzana dzana seakange akamira
panopisa; “Saka wave kuramba mwana nekuda chikomba?
Wave kusiya mwana wako nekuda chipfambi?”
Mbuya vaChido vakaseka ndokuti; “Inga wati wave kuda
mwana wako. Ukamupiwa, wopengeizve.”
“Amai muri kutsigira zvinhu zvakaipa imimi……..” Jacob
akadaro.
Tendai akambundikira mbuya vaChido ndokuti;
“Ndaenda amai, vana vangu ava vave kuvhunduka mhere
mhere yave kuitika pano. Ndopfuura ndichiona mai Noku
ndichienda.”

Page | 158
Tendai akatanga kufamba achibuda muchivanze. Jacob
akadaidzira; “Ugondoudzwa makuhwa ekunyepa namai
Noku iyeye.”
Neinzwi rakaderera akati kuna amai vake; “Honai amai,
kasiketi kakabata kakatenderera, kari kapfupi futi. Kana
achipfeka izvi kuno kumusha, ko anofamba muHarare ak aita
sei chaizvo?” Jacob akaridza tsamwa ndokufamba famba
nechivanze achishaya zvekuita.
Pazuva rakatevera, Munyaradzi akadzoka kuzoona mwana
wake uye kuoneka ave kudzokera kuHarare achisiya Tendai
naRose kumusha uku. Musi uyu Munyaradzi akatora Tendai,
Rose naChido vakambotenderera neMission yese achiona
nzvimbo.
Vakazowana imwe nzvimbo yavakagara, Rose achibudisa
zvidhori zvake nezvimwe zvekutambisa zvaakange avigira
Chido. Vaviri ava vakawirirana vakatamba vese vabereki
vavo vachiita nyaya.
“Ndinokuda Tendai. Ndiwe mudzimai wangu. Ndipe
mukana wekukuratidza rudo rwangu kwauri.” Munyaradzi
akadaro abata Tendai maoko.
Panguva iyi Tendai haana kutiza kana kuswedera kure.
Akanyemwerera ndokuti; “Ndinokuda Munyaradzi…………
ndaidawo kuve kunze kweimba yako kuti ndikwanise
kufunga nezvako. Nekufunga zvandinodawo.”
Murume akanyemwerera ndokutsvoda Tendai padama.
“Asi ndave kusiya basa kumba kwako. Handidi
kuvarairwa ndigopedzisira ndave kuchaya mapoto. Ndigoita
mudzimai wako usina kundiroora. Ndichatsvaga rimwe basa

Page | 159
kumwe. Handingashande mumba meBoyfriend.
Ndingazopedzisira ndashanda nepamubhedha pako.” Tendai
akadaro ndokuseka asi Munyaradzi haana kuseka.
“Eish, ko waitirei zvakadaro, uri kuda kuti ndiite sei?”
Munyaradzi akabvunza achipererwa.
Tendai akabva ati; “Treat me like a girlfriend.
Waunoshanyira. Kana uchida kuti ndigare newe full time,
unoroora ndodzoka mumba mako samai Shumba.”
Munyaradzi akambofunga, akatanga kufunga kuti mwana
wake aizodii apo vanenge vasati varoorana. Akafunga kuti
akadanana namai vemwana wake kwemwedzi mitatu,
wechina vange vatoronga muchato. Uye imba yavo yaive
nerudo haana musi waakambodemba kuti akakurumidzisa.
Akafunga kuti kana awa ariiwo makomborero ake akuita
chidikwa dikwa chekuroora vakadzi vakanaka pasina nguva,
aizozvidzokorora.
Tendai akaona murume angonyarara ndokuti; “Ndiri
single mother, mvana sekutaura kunoita vanhu vese. Asi
handina nzara yebonde inondiitisa mukadzi wemunhu
ndisina kuroorwa. I am single, and I am an answered prayer
to a good man. Ngatidananei sezvatinofanira, kana
tagutsikana tinoroorana.”
Munyaradzi akagutsurira ndokuti; “Ok, your wish is my
command. Udzoke kuHarare for the month tizoronga zvese
sekutaura kwako.”
Tendai akagutsurira, akatarisa murume ndokuti;
“Munyaradzi wangu, ndinokuda shamwari.”

Page | 160
“Ndakange ndakamirira iwewe makore ese. Ndinokuroora
Tendai.”
Munyaradzi akadaro vagukuchirana. Vakanzwa vana vave
kuseka nemanzwi ari pasi ndokusimudza vana vavo vave
kutorana mifananidzo yemhuri.

THE END

Page | 161
JESUS MY HEALER

Luke 4:18 The Spirit of the Lord is upon me, because He has
anointed me to preach good news to the poor. He has sent me to hea l
the broken hearted, to proclaim liberty to the captives, recovering of
sight to the blind, to the blind, to deliver those who are crushed.
Jesus came for you, yes you,
1. To heal the broken hearted,
2. To proclaim liberty to the captives,
3. To recover sight to the blind,
4. To deliver those who are crushed.

TO HEAL THE BROKEN HEARTED

 We live with broken hearts everyday.


 Pane zvakawanda zvinoitika zvinotisiya
tichirwadziwa zvakanyanya.
 Zvinotisiya tine mibvunzo yekuti; Is it true kuti Mwari
anoda tese? Is it true kuti Jesu akafira tese or ane
mafavorites? Ndofanira kumbonamata seikowo kuti
zvinondinetsa zvipfuure.
 Pane vanhu vakakurwadzisa zvakanyanya zvekuti
everyday you ask kuti why me Lord?

Page | 162
 Angave a family member, a husband, a parent, mwana
chaiye, a close friend you trusted. Akaita zvinhu
zvaunorwadziwa nazvo everyday kuti but why?
 And imwe pain is on going everyday as you watch
munhu akakurwadzisa achibudirira chaizvo, iye
akakubira.
 Maybe it’s a broken relationship. Wakangosiiwa, for
no reason at all. Unotadza kuziva kuti but why dai
ndakagadzirisa hangu, but no one gave you a chance,
they are gone, shaming and embarrassing you after all
the sacrifices you did for them. Every night you cry
uchitukirira iye nedzinza rake rese kuti imbwa
dzavanhu.
 Today Jesus is saying, come, let’s deal with it together.
 Or maybe you are a married woman, uchirimo mumba
macho, asi ndezvezita, vekunze vanoona uri Mrs but
hapana zviripo. This man is doing the same mistake
over and over again. He does not care about your
feelings or emotional being. Kana wakamutarisa
unopera rudo so, wakangogarira vana. Unorwadziwa
asking God kuti nhai Mwari maivepiko
ndichinyengwawo nezvakadai izvi.
 But today Jesus is telling you, bring it to me, I will
mend it for you.
 Today Jesus is telling you, I came for your kind of
heart, that heart in consistent pain, mwoyo
unorwadziwa, pfungwa dzisina zororo.

Page | 163
 Jesus is reminding you today, kuti ndozvaakavinga
pasi pano.
 To heal your heart is one of the primary reasons of the
Cross at Calvary.
 Surrender, face it, tell Him openly kuti, ndazvitadza
ndega, Jesus Christ heal me, mend my broken heart.
 Usafunga mashoko ekuzvinatsidzira, do not reason
before Him, tell Him like it is….. Lord Jesus izvi
zvinondirwadza izvi, izvi zvakandiomera izvi,
handizvigone ndega izvi, take over Prince of Peace
please.
 Inga He is the one who said, “Come to me all of you
who are tired from carrying heavy loads and I will
give you rest…..” Matthew 11:28. Mwari vanotongwa
neShoko ravo, and His name is His answer. Jehovah
Rapha – God my Healer.

TO PROCLAIM LIBERTY TO THE


CAPTIVES

 Pane vanhu vanorarama mumajere ezvivi zvavo. Or


ezvivi zvavamwe
 Zvivi zvevamwe as in abuse, these days we are talking
about rape. You never really got a chance to express

Page | 164
your pain and your feeling over certain issues of abuse
that you went through.
 You suffer zvivi zvevamwe nekuti pawakataura kuti I
was raped, abused or ndakanyeperwa no one believed
you.
 Everytime you think about what happened to you,
unoita hasha, but you are helpless and hopeless.
 Vamwe maybe ndiwe wakaita wrong moves, wrong
decisions, you sinned and the problem that that sin has
caused you is unbearable.
 Still even if the whole world says its your fault, you
deserved it, Jesus says, “Now let’s settle this matter, you
are stained red in sin, but I will wash you as clean as snow
…….” Isaiah 1:18-20 He is a God of chances, a God of
unending love and forgiveness
 Some people are time bombs, vanenge vakagara apo
vakanyarara vachiratidza kufara, peacefully, asi
ingomudenha uone mashoko makukutu anobuda
mavari.
 Because of the jail they are in, they cannot accept
criticism, a simple correction they tell you zvese
zvavakakuitira, kukubatsira kwese kwavakaita, zvese
zvawakambovatadzira necolour of dress rawange
wakapfeka musi “wavakuregerera.”
 It’s because of bottled up feelings, the bondage of pain
that you are in, inoita kuti ukadenhwa uputike.
 Today Jesus is saying let it go, bring it to the Cross, His
Blood can and will wash it away for you.

Page | 165
 This is the time to surrender.

TO RECOVER SIGHT TO THE BLIND

 Let’s talk about spiritual blindness. Kutadza kuona


kuti chii chinondinetsa ndochigadzirisa sei.
 Kutadza kuona the right church and prayer group to
join ringanyatsondibatsira.
 Kutadza kuona kuti all the problems between me and
my spouse, my family, at my work place, ari
kukonzerwa nei.
 Kutadza kuona kuti izvi zviri kuramba
zvichidzokorereka in my life zvinokonzwerwa nei.
 It’s never God’s design that we suffer and toil for years
without a breakthrough or relief.
 Even during our valley and desert days, God gives a
relief, God soothes so that you know where you are
going. So that you feel in His presents in all
circumstances.
 Spiritual blindness can give you stagnancy; you lack
progress because you don’t know what is causing it.
 The Bible tells us about the death of Lazarus, Jesus’
friend. And Martha, his sister, out of frustration said to
Jesus; “Lord, … if you had been here, my brother would not
have died” John 11:21

Page | 166
 Spiritual blindness can cause you to blame everyone
and everything around you zvekuti haubvume
kunzwa any view from outside.
 The first move to get rid of spiritual blindness is to
have a teachable spirit. Open your heart and learn new
things, bvuma kutsiurwa, bvuma kuudzika.
 Trust God, do not question God. In Job 38:4,6 God
says, “were you there when I made the world? If you know
so much, tell me about it. 6 What holds up the pillars that
support the earth? Who laid the cornerstone of the world.”
 If you trust that He is the Maker of Heaven and earth,
CAST ALL YOUR CARES ON HIM.

TO DELIVER THOSE WHO ARE CRUSHED.

 You may be one of those people vasingatendwi kana


kuonekwawo kuti waita chakanaka. Vanhu vese
vaunobatsira do not show appreciation. Vamwe even
accuse you kuti unoroya, once wangovabudisa in the ir
problems.
 But Paul says; “We are hard pressed on every side,
but not crushed; perplexed, but not in despair;
persecuted, but not abandoned; struck down, but not
destroyed”
(2 Corinthians 4:8-9,).

Page | 167
 We, too, can have that same attitude. God has never
sent any difficulty into the lives of His children
without His accompanying offers of help in this life
and reward in the life to come.
 A family member, or a friend wawakabatsira asina
kana chinhu, nhasi abudirira they block you. Vave ne
new friends and other closer relatives. But pavaive
vasina chinhu ndiwe waivaona.
 Zvese is crush you over and over again. Even paunoda
kufara, the devil reminds you kuti but your brother,
your sister, your mother havakufariri.
 Unogara uchingofunga zvawakavakanganisira, you
are a foreigner to your own family members.
 But today God is saying in Jeremiah 17:7 “But I will
bless the person that put his trust in Me. He is like a
tree growing near a stream and sending out r oots to
the water. It is not afraid when hot weather comes
because its leaves stay green, it has no worries when
there is no rain, it keeps on bearing fruit .”
 Ziva kwekutsvaga true satisfaction and happiness,
ziva kwekutarisa to meet your expectations.

Page | 168
LET’S MOVE ON, LET IT GO

 Helping others is a great step toward healing.


 When we are weak and powerless, God is there to give
us strength.
 When we lack wisdom, He will supply it.
 When we admit that we cannot heal ourselves, and we
fall to our knees and ask God to take over, we will be
on the road to spiritual health.
And like Jeremiah, let’s all shout unto the Lord, “LORD
HEAL ME SO THAT I MAY BE COMPLETELY WELL,
RESCUE ME AND I WILL BE PERFECTLY SAFE, YOU ARE
THE ONE I PRAISE.” Jeremiah 17:14

Page | 169

You might also like