You are on page 1of 3

Mbeva

Mbeva kamhuka kadiki kanenge gonzo kanowanikwa Pasirose. Mbeva inosiyana negonzo pakuti
inogara mumwena musango asi gonzo rinogara mumba. Kune mamwe matunhu mbeva
inodyiwa nyama. Kune mhando dzembeva dzaka siyana dzinenge matedze, banya kana dapi,
shana, madingo, mhana-mhana.

Mwana wembeva anonzi manditeya.

Joro (Conical trap for mice) apa kureva munheva or riva.

Jeta kana kucheta (Cut through with teeth - especially rodents) kana kucheza.

Mbeva[1] (http://www.mashumba.com/shnnames070308.aspx)

Mhando dzeMbeva
Madingo imhando yembeva. Iyi mbeva ino gara dzaka wanda mumwena mumwe chete kusika
kana makumi mashanu mumwena mumwe chete.

Mhatsi kana mbasi (n. Dendromus melanotis).

Tsika

Kune zvinamato netsika zvinodzivisa kudya mbeva. Izvi zvinosanganisira vanoera mutupo
wembeva VaRemba or VaMwenyi, vanotevedza Tsamba Tsaru yeBhaibheri, Mapositori, vanamati
vechiMuslim nevamwewo.

Mbudyo (Escape hole in mouse run) kureva mbudo inobuda nembeva kana yasvika njodzi.

Tsumo

Mbeva haicheri mwena usina mabudiro. Apa kureva - Munhu akangwara anogara aziva
mabudiro ake patsekwende kana kuti anoziva kuti anozogona sei zvinhu zvaatanga.

Mbeva zhinji hadzina marise. Too many mice have no lining for their nest.

Mbeva zhinji hadzina mashe. Many mice have no lining for the nest.

Mitauro yeAfrika

VaMbugwe vanoti mbeva (rat) kureva gonzo.

Nyanja inoti kubulika (to come up, breaking up through; of mice through their holes, of water
on a wet place on the floor) kureva kuburika.

Retrieved from
"https://sn.wikipedia.org/w/index.php?
title=Mbeva&oldid=97075"

Last edited 22 days ago by Holani Mina

You might also like