You are on page 1of 32

34567

AUG UST 2 0 2 2

NYAYA DZEKUDZIDZA
OCTOBER 3–NOVEMBER 6, 2022
NYAYA
YEKUDZIDZA 32

Vechidiki—Rambai
Muchifambira Mberi
RWIYO 56 Pashure Pekubhabhatidzwa
Ita Kuti Chokwadi
Chive Chako ‘Rudo ngaruite kuti tikure muzvinhu zvese.’—VAEF. 4:15.

ZVICHADZIDZWA GORE rega rega, zviuru zvevaKristu vechidiki zvinobhabhati-


Vashumiri vese vaJehovha dzwa. Wakatora danho iri here? Kana wakadaro, hama neha-
vanofara vechidiki pava- nzvadzi dzako dzechiKristu dzinofara nezvawakaita uye Je-
nobhabhatidzwa. Pashure hovha anofarawo! (Zvir. 27:11) Chimbofunga nezvekuwanda
pekunge vabhabhatidzwa, kwezvinhu zvakanaka zvawakatoita nechekare. Wakanyatso-
vadzidzi vatsva vanofanira dzidza Bhaibheri, zvichida kwemakore anoverengeka. Zva-
kuramba vachifambira wakadzidza zvakaita kuti uve nechokwadi chekuti Bhaibheri
mberi pakunamata. Nyaya iShoko raMwari. Asi kupfuura izvozvo, wakasvika pakuziva
ino ichatibatsira tese kuti uye kuda Munyori webhuku dzvene iroro. Kuda kwaunoita Je-
tinyanye kufunga nezve-
hovha kwakakura zvekuti wakasvika pakuva mushumiri wa-
nzira dzingashandiswa ne-
ke akazvitsaurira uye akabhabhatidzwa. Wakaita chisarudzo
vaKristu vechidiki vacha-
ngobhabhatidzwa, kuti chakazonaka.
2 Usati wabhabhatidzwa kutenda kwako kwakaedzwa mu-
varambe vachikura paku-
namata. nzira dzakawanda. Asi sezvaunokura, uchasangana nemimwe
miedzo. Satani achaedza kuita kuti usada Jehovha uye ure-
ge kumushumira. (VaEf. 4:14) Usarega izvozvo zvichiitika.
Chii chingakubatsira kuti urambe wakavimbika kuna Jehovha
uye uzadzise mhiko yako yekuzvitsaurira? Unofanira kura-
mba uchifambira mberi, ‘uchishanda nesimba’ kuti uve mu-
Kristu akakura pakunamata. (VaH. 6:1) Asi izvozvo ungazvii-
ta sei?
1. Zvinhu zvipi zvakanaka zvakatoitwa nevechidiki vakawanda?
2. Tichakurukurei munyaya ino?

2
UNGAITEI KUTI UVE MUKRISTU hovha nekuwedzera kuziva Mwanakomana
AKASIMBA PAKUNAMATA? wake, uyo akanyatsotevedzera unhu hwaBa-
3 Pashure pekunge tabhabhatidzwa, tese ti- ba vake. (VaH. 1:3) Nzira yakanakisisa ye-
nofanira kuteerera zano rakapiwa nemuapo- kuziva Jesu, ndeyekudzidza mabhuku mana
stora Pauro kuvaKristu vemuEfeso. Akavaku- eEvhangeri. Kana wanga usati wava kuvere-
rudzira kuti vave vaKristu ‘vakakura zvaka- nga Bhaibheri zuva rega rega, unogona kuto-
kwana.’ (VaEf. 4:13) Izvozvo zvaireva kuti va- tanga izvozvi. Paunenge uchiverenga nyaya
ifanira ‘kuramba vachifambira mberi.’ Tino- dzine chekuita naJesu, nyatsofunga nezveu-
gona kunzwisisa zvairehwa naPauro paakae- nhu hwake. Vanhu vaifarira kuva naye uye
nzanisa kukura pakunamata nekukura kwe- kutaura naye, uye akatakura vana vadiki mu-
mwana. Vabereki vemwana mucheche vano- maoko ake. (Mako 10:13-16) Aiva nemutsa
muda uye vanodada naye. Asi haazorambi ari neushamwari, uye vadzidzi vake vaisatya ku-
mucheche. Nekufamba kwenguva anofanira muudza manzwiro avaiita. (Mat. 16:22) Pa-
kusiya “zvinoitwa nemwana.” (1 VaK. 13:11) nyaya iyi, Jesu aitevedzera Baba vake ve-
Ndizvo zvinoitikawo kuvaKristu. Pashure pe- kudenga. Jehovha anotaurikawo naye zviri
kubhabhatidzwa, tinofanira kuramba tichifa- nyore. Tinogona kunyengetera kwaari. Pa-
mbira mberi. Ngationei mazano anotibatsira tinonyengetera, tinogona kudurura mwoyo
kuita izvozvo. yedu kwaari. Tine chokwadi chekuti haazo-
4 Wedzera kuda kwaunoita Jehovha. Wagara
tipi mhosva. Anotida, uye ane hanya nesu.
unoda Jehovha chaizvo. Asi kuda kwauno- —1 Pet. 5:7.
muita kunogona kuwedzera. Izvozvo zvinoi- 6 Jesu ainzwira vanhu tsitsi. Muapostora
tika sei? Muapostora Pauro akataura imwe Mateu akati: “Achiona vanhu vazhinji, akasi-
nzira pana VaFiripi 1:9. (Verenga.) Pauro ririswa navo, nekuti vaibatwa zvisina kuna-
akanyengetera kuti rudo rwevaFiripi “rura- ka uye vakanga vakapararira semakwai asina
mbe ruchingowedzera.” Saka kuda kwatinoi- mufudzi.” (Mat. 9:36) Jehovha anonzwawo
ta Jehovha kunogona kuwedzera. Tinogona sei? Jesu akati: ‘Baba vangu vari kudenga ha-
kuita izvozvo nekuva ‘neruzivo rwakarurama vadi kuti kunyange mumwe chete wevadiki
uye kunyatsova neungwaru.’ Patinowedzera ava aparare.’ (Mat. 18:14) Izvozvo zvinobaya
kuziva Jehovha, tinowedzera kumuda uye ku- mwoyo chaizvo! Patinowedzera kuda Jesu,
koshesa unhu hwake nemaitiro aanoita zvi- kuda kwatinoita Jehovha kunowedzerawo.
nhu. Chido chekumufadza chinowedzera, uye 7 Kana ukashamwaridzana nehama neha-
hatitombodi kuita chinhu chinomugumbura. nzvadzi dzakakura pakunamata dzemuunga-
Tinoita zvese zvatinogona kuti tinzwisise zva- no menyu unogonawo kuwedzera kuda Jeho-
anoda kuti tiite uye kuti tingazviita sei. vha uye uchafambira mberi pakunamata. Ta-
5 Tinogona kuwedzera kuda kwatinoita Je-
risa kufara kwavanoita. Havazvidembi neku-
3. VaKristu vese vanofanira kuitei pashure pekunge va- sarudza kwavakaita kushumira Jehovha. Va-
bhabhatidzwa? kumbire kuti vakuudze zvimwe zvinhu zvava-
4. Unhu hupi hunogona kukubatsira kuti ufambire mbe- kasangana nazvo mubasa raJehovha. Kana
ri pakunamata? Tsanangura. (VaFiripi 1:9)
5-6. Tingaitei kuti kuda kwatinoita Jehovha kuwedzere? 7. Kushamwaridzana nevaKristu vakakura pakunamata
Tsanangura. kunokubatsira sei?

AUGUST 2022 3
Ungagadzirira sei kuti uzive zvekuzotaura
kuchikoro kana kwamuka dzidziso yekuti
zvinhu zvakaita zvekushanduka?
(Ona ndima 8-9)

uine chisarudzo chinokosha chauri kuda kui- dzidziswa kuchikoro, unofanira kunyatsodzi-
ta, vabvunze mazano. Yeuka kuti “panova ne- dza zvinotaurwa neShoko raMwari. Tsvaku-
kubudirira kana vanopa mazano vakawanda.” rudza uchishandisa mabhuku edu. Taura ne-
—Zvir. 11:14. hama nehanzvadzi dzaimbotenda kuti zvinhu
8 Iva nechokwadi nezvaunotenda. Sezvatau- zvakaita zvekushanduka. Vabvunze kuti chii
rwa mundima 2, Satani achaedza kukutadzi- chakaita kuti vave nechokwadi chekuti kune
sa kuramba uchifambira mberi pakunamata. Musiki anotida. Kukurukura kwakadai kuno-
Imwe nzira yaangaita izvozvo ndeyekuita ku- gona kukubatsira kuti uwane uchapupu hwe-
ti usava nechokwadi nezvimwe zvinhu zvi- kuti kune Musiki.
9 Hanzvadzi inonzi Melissa yakabatsirwa
nodzidziswa neBhaibheri. Semuenzaniso, va-
mwe vanhu vanogona kuedza kuita kuti ute- chaizvo nekutsvakurudza kwayakaita nezve-
nde kuti Mwari haana kusika zvinhu, asi ku- nyaya yekusikwa kwezvinhu.1 Anoti: “Kuchi-
ti zvakavapo nekushanduka. Pawaiva mwana, koro vadzidzisi vanotsanangura nezvenyaya
unogona kunge usina kumbofunga nezvazvo, yekushanduka kwezvinhu nenzira inoita kuti
vanhu vafunge kuti ndeyechokwadi. Ndaisa-
asi iye zvino unogona kunge wava kuzvidzi-
da kutsvakurudza nekuti ndaitya kuti ndai-
dziswa kuchikoro. Zvinotaurwa nevadzidzisi
zoona kuti dzidziso yekuti zvinhu zvakaita
vako vachitsigira dzidziso yekushanduka zvi-
zvekushanduka ndeyechokwadi. Asi ndakafu-
ngaita sezvine musoro. Asi vanogona kunge
nga kuti Jehovha anoda kuti tive neuchapupu
vasina kumbobvira vanyatsoongorora ucha-
hwezvatinotenda. Saka ndakatanga kutsvaku-
pupu hunoratidza kuti kune Musiki. Yeuka
rudza. Ndakaverenga bhuku rinonzi, Is There
pfungwa iri pana Zvirevo 18:17 iyo inoti: “Mu- a Creator Who Cares About You? uye mabhuro-
nhu anotanga kupira nyaya yake anoita seaka- cha anoti, Was Life Created? uye The Origin of
rurama, kusvikira mumwe wacho auya, omu- Life—Five Questions Worth Asking. Izvi ndizvo
bvunzisisa.” Pane kungobvuma zvese zvino-
1 Mamwe mazita akachinjwa.
8. Ungaitei kana ukasava nechokwadi nezvinotaurwa
neBhaibheri? 9. Unodzidzei pane zvakaitika kuna Melissa?

4 NHARIREYOMURINDI
chaizvo zvandaifanira kuita. Dai ndakakuru- Imwe hanzvadzi inonzi Kari inotsanangura
midza kuzviita.” chakaibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka.
10 Ramba maitiro akaipa. Paunenge uchiya- Akaona kuti muKristu akasimba pakunama-
ruka, chido chekuita zvebonde chinogona ku- ta haafaniri hake kuita zvekuudzwa kamwe
kura chaizvo, uye ungava pamuedzo wakaku- nekamwe kezvaanofanira kuita kana kusai-
ra wekuita upombwe. Satani anoda kuti ui- ta muupenyu. Anoti: “Ndaifanira kunzwisi-
te izvozvo. Chii chingakubatsira kuti ukunde sa mafungiro aJehovha pane kuda kuudzwa
muedzo wacho? (Verenga 1 VaTesaronika kuti ita ichi kana kuti usaita ichi.” Paune-
4:3, 4.) Paunenge uchinyengetera uri wega, nge uchiverenga Bhaibheri, zvibvunze kuti:
udza Jehovha manzwiro aunenge uchiita uye ‘Zvandaverenga izvi zvinondiudzei nezvema-
mukumbire kuti akupe simba. (Mat. 6:13) Ye- fungiro aJehovha? Pane pfungwa dzinogona
uka kuti Jehovha anoda kukubatsira, kwete kundibatsira kuti ndiite zvakarurama here?
kukuranga. (Pis. 103:13, 14) Shoko raMwa- Kana zvakadaro, ndinobatsirwa sei kana ndi-
ri rinogona kukubatsirawo. Melissa ambotau- kadzishandisa?’ (Pis. 19:7; Isa. 48:17, 18) Ka-
rwa nezvake airwisa chaizvo kuti asava ne- na ukaverenga Bhaibheri wofungisisa maza-
mafungiro asina kuchena. Anoti: “Kuverenga no aro, zvichakuitira nyore kuti uite zvisaru-
Bhaibheri mazuva ese kwakandibatsira kuti dzo zvinofadza Jehovha. Paunenge uchifa-
ndirambe ndichirwisa zvido zvakaipa. Kwai- mbira mberi, uchaona kuti hapasi pese pau-
ndiyeuchidza kuti ndiri waJehovha uye kuti noda mutemo nekuti unenge wava kunzwisisa
ndinoda kumushumira.”—Pis. 119:9. mafungiro aJehovha panyaya dzakasiyana-si-
11 Usaedza kugadzirisa wega matambudziko yana.
ako. Udza vabereki vako nezvematambudzi- 13 Sarudza shamwari dzinoda Jehovha. Se-

ko auri kusangana nawo. Hazvisi nyore kuti zvambotaurwa, shamwari dzaunosarudza


uvaudze nezvenyaya dzakadaro, asi zvinoko- dzinogona kukubatsira kukura pakunamata
sha kuti uite izvozvo. Melissa anoti: “Ndaka- kana kuti kukukanganisa. (Verenga Zvirevo
nyengetera kuti ndive neushingi uye ndaka- 13:20.) Imwe hanzvadzi inonzi Sara yakaona
bva ndataura nababa nezvedambudziko ra- kuti mufaro wayo wakanga wava kudzikira.
ngu. Pashure paizvozvo ndakanzwa kuzoro- Pakabva paitika chimwe chinhu chakaibatsira
dzwa chaizvo. Ndakaziva kuti Jehovha aifa- kuti iwedzere kufara. Sara anoti: “Ndakawana
dzwa nezvandaiita.” shamwari dzakanaka panguva chaiyo yanda-
12 Tungamirirwa nezvinotaurwa neBhaibhe- idzida. Ini nemumwe musikana wemuunga-
ri. Nekukura kwaunenge uchiita, vabereki va- no medu takatanga kudzidza Nharireyomuri-
ko vachawedzera kukupa rusununguko rwe- ndi vhiki rega rega. Imwe shamwari yangu ya-
kuita zvisarudzo zvako wega. Asi pachiri ne- kandibatsira kuti nditange kupindura pamisa-
zvinhu zvakawanda zvausati wava kuziva. ngano. Kubatsirwa kwandakaitwa neshamwa-
Zvii zvausingafaniri kuita kuti usakanganisa ri dzangu, kwakaita kuti nditange kunyatso-
ushamwari hwako naJehovha? (Zvir. 22:3) dzidza ndiri ndega uye kunyengetera nemwo-
yo wese. Ndakatanga kusimbisa ushamwari
10-11. Chii chingakubatsira kuti urambe uine tsika dza-
kachena? (1 VaTesaronika 4:3, 4) 13. Shamwari dzakanaka dzingakubatsira sei? (Zvirevo
12. Chii chingakubatsira kuita zvisarudzo zvakanaka? 13:20)

AUGUST 2022 5
Imwe hanzvadzi yechidiki yakasarudza
shamwari dzakaita sei, uye yakava
nezvinangwa zvipi?
(Ona ndima 13, 17)

hwangu naJehovha, uye ndakatanga kufara vaisava nemafungiro uye maitiro echiKristu,
zvakare.” saka akayambira Timoti kuti atambire kure
14 Ungaitei kuti ushamwaridzane nevanhu navo. (Verenga 2 Timoti 2:20-22.) Usha-
vanokubatsira kuti usimbe pakunamata? Ju- mwari hwedu naJehovha hunokosha chaizvo.
lien, uyo ava kushumira semukuru anoti: “Pa- Hatifaniri kubvumira chero ani zvake kuti
ndaiva mudiki, ndakawana shamwari dzaka- akanganise ushamwari hwatakashanda nesi-
naka pandaiita ushumiri. Shamwari idzi dzai- mba kuti tive nahwo naBaba vedu vekudenga.
shingaira uye dzakandibatsira kuona kuti —Pis. 26:4.
ushumiri hunogona kunakidza chaizvo. Nda-
KUVA NEZVINANGWA KUNGAKUBATSIRA
katanga kuva nechinangwa chekuzoita basa SEI KUFAMBIRA MBERI PAKUNAMATA?
renguva yakazara. Ndakaonawo kuti chimwe 16 Iva nezvinangwa zvinokubatsira. Sarudza
chikonzero chainditadzisa kuwana shamwa-
zvinangwa zvichasimbisa kutenda kwako uye
ri dzakanaka ndechekuti ndaingotsvaga sha-
zvichakubatsira kuti uwedzere kuva muKristu
mwari pavanhu vezera rangu. Pave paya, nda-
kazowanawo shamwari dzakanaka paBhete- akasimba pakunamata. (VaEf. 3:16) Semue-
ri. Muenzaniso wavo wakandibatsira kuti ndi- nzaniso, unogona kuva nechinangwa cheku-
vandudze pakusarudza zvinondivaraidza, uye ti wedzerei kugara uchidzidza uri wega uye
izvi zvakaita kuti ndiwedzere kuswedera pe- kuverenga Bhaibheri. (Pis. 1:2, 3) Kana kuti
dyo naJehovha.” ungaona kuti unofanira kunyengetera kaka-
15 Ko ukaziva kuti mumwe munhu ari muu- ti wandei uye zvichibva pamwoyo. Zvimwe
ngano anogona kukanganisa ushamwari hwa- unofanira kuwedzera kungwarira pakusaru-
ko naJehovha? Pauro aiziva kuti vamwe va- dza zvinokuvaraidza uye pakushandisa kwa-
nhu vaiva muungano yechiKristu yekutanga unoita nguva. (VaEf. 5:15, 16) Jehovha pa-
achaona uchishanda nesimba kuti ufambire
14. Julien akawana sei shamwari dzakanaka? mberi pakunamata achafara chaizvo.
15. Pauro akapa Timoti yambiro ipi nezveushamwari?
(2 Timoti 2:20-22) 16. Unofanira kusarudza zvinangwa zvakaita sei?

6 NHARIREYOMURINDI
17 Paunobatsira vamwe, unova muKristu mashoko eUmambo. Unogona kushumira pa-
akasimba pakunamata. Jesu akati: “Kupa ku- Bheteri kana kuita basa rekuvaka zvivakwa
ne mufaro kupfuura kugamuchira.” (Mab. 20: zvesangano. Imwe hanzvadzi yechidiki inopa-
35) Uchafara chaizvo kana ukashandisa imwe yona inonzi Kaitlyn yakati: “Kuita ushumiri
nguva yako nesimba rako kuti ubatsire va- nehama nehanzvadzi dzagara nebasa ndiko
mwe. Semuenzaniso, unogona kuva nechina- kwakanyanya kundibatsira kuti ndikure paku-
ngwa chekubatsira vakwegura kana kuti va- namata pashure pekubhabhatidzwa. Muenza-
nonetseka neutano vari muungano menyu. niso wavo wakandikurudzira kuti ndiwedzere
Zvimwe unogona kuvaendera kunotenga zvi- kudzidza Bhaibheri uye ndivandudze madzi-
nhu kana kuvabatsira kushandisa zvinhu zva- dzisiro angu.”
kadai semafoni. Kana uri hama, iva nechi- 19 Paunoramba uchifambira mberi pakuna-

nangwa chekuva mushumiri weungano, kuti mata, uchawana makomborero akawanda.


uwedzere kubatsira hama nehanzvadzi dzako Hauzopedzi simba rako uchiita zvinhu zvisi-
muungano. (VaF. 2:4) Unoratidzawo rudo ku- ngabatsiri. (1 Joh. 2:17) Hauzovi nemarwa-
ne vaya vasiri muungano nekuvaudza masho- dzo anokonzerwa nekuita zvisarudzo zvakai-
ko akanaka eUmambo. (Mat. 9:36, 37) Kana pa. Uchabudirira uye uchava nemufaro we-
zvichiita, iva nechinangwa chekuita ushumiri chokwadi. (Zvir. 16:3) Muenzaniso wako wa-
hwenguva yakazara. kanaka uchakurudzira vaunonamata navo,
18 Basa renguva yakazara rinoita kuti uve vangava vadiki kana kuti vakuru. (1 Tim.
nemikana yakawanda yekufambira mberi pa- 4:12) Uye chinonyanya kukosha ndecheku-
kunamata. Kushumira sapiyona kungaita kuti ti uchava nerugare uye kugutsikana kunobva
uzokwanisa kupinda Chikoro Chevazivisi Ve- pakufadza Jehovha uye pakuva neushamwari
hwepedyo naye.—Zvir. 23:15, 16.
17. Chii chinoitika kana ukabatsira vamwe?
18. Kuita basa renguva yakazara kungakubatsira sei ku- 19. Makomborero api auchava nawo sezvaunoramba
ti uwedzere kuswedera pedyo naJehovha? uchifambira mberi pakunamata?

UNGAPINDURA SEI?

˛ Nei tichifanira kufambira ˛ Wechidiki angaitei kuti afa- ˛ Kuva nezvinangwa zvakanaka
mberi pashure pekunge mbire mberi pakunamata? kungakubatsira sei kuti ufa-
tabhabhatidzwa? mbire mberi pakunamata?

RWIYO 88
Itai Kuti Ndizive Nzira Dzenyu
NYAYA
YEKUDZIDZA 33

Jehovha Anochengetedza
RWIYO 4 Vanhu Vake
“Jehovha Ndiye
Mufudzi Wangu” “Ziso raJehovha riri pane vaya vanomutya.”—PIS. 33:18.

ZVICHADZIDZWA USIKU hwekupedzisira asati aurayiwa, Jesu ane chimwe chinhu


Tinoda kubatsirwa naJe- chinokosha chaakakumbira Baba vake vekudenga. Akakumbi-
hovha kuti tikunde mata- ra Jehovha kuti achengetedze vateveri vake. (Joh. 17:15, 20)
mbudziko atiri kusangana Ichokwadi kuti Jehovha agara achichengetedza vanhu vake. Asi
nawo mazuva ano. Nyaya Jesu aiziva kuti vateveri vake vaizopikiswa zvakanyanya naSa-
ino ichatibatsira kuti tive tani. Jesu aizivawo kuti vaizoda kubatsirwa naJehovha kuti va-
nechokwadi chekuti Jeho- kunde kurwiswa kwavaizoitwa naDhiyabhorosi.
vha anochengetedza va- 2 Nyika yaSatani inoita kuti vaKristu vechokwadi vasangane
nhu vake. Anoona mata- nematambudziko akawanda mazuva ano. Tinosangana nemata-
mbudziko anosangana mbudziko anogona kutiodza mwoyo uye kunyange kutokanga-
nemumwe nemumwe we- nisa kuvimbika kwatakaita kuna Jehovha. Asi sezvatichaona
du, uye anotibatsira kuti ti-
munyaya ino, hatifaniri kutya. Jehovha ari kutichengetedza.
akunde.
Anoona matambudziko atiri kusangana nawo, uye akagadzirira
kutibatsira kuti tiakunde. Ngationgororei mienzaniso miviri ye-
muBhaibheri inoratidza kuti Jehovha ‘anochengetedza vaya va-
nomutya.’—Verenga Pisarema 33:18-20.
PATINONZWA SEKUTI TIRI TEGA
3 Kunyange zvazvo tiri mumhuri yakakura yevanamati va-
Mwari, dzimwe nguva tinganzwa sekuti tiri tega. Semuenzani-
so, vechidiki vanganzwa sekuti vari vega pavanenge vari kuchi-
koro vachitsanangura zvavanotenda pamberi pekirasi kana ku-
ti pavanotamira kune imwe ungano. Vamwe vedu tingasuruva-
ra kana kuti tingaodzwa mwoyo tichiona sekuti tinofanira ku-
1. Nei Jesu akakumbira Jehovha kuti achengetedze vateveri vake?
2. Maererano naPisarema 33:18-20, nei tisingafaniri kutya matambudziko?
3. Ndepapi patinganzwa sekuti tiri tega?

8
tsungirira manzwiro iwayo tiri tega. Tinogona ye pakushumira Jehovha kunyange zvazvo Je-
kuzeza kuudza vamwe manzwiro edu nekuti hovha akanga aratidza kuti aiva Mwari wecho-
tinenge tichityira kuti vangasatinzwisisa. Uye kwadi paGomo reKameri? Angava here akafu-
dzimwe nguva tingatoona sekuti hapana ane nga kuti hapana aiziva kuti aiva pangozi zvaka-
hanya nesu. Kunzwa setiri tega kunoitawo ku- dii, kana kuti hapana aiva nehanya naye? Nya-
ti tinzwe setisingabatsiri uye tizvidye mwoyo. ya yacho haitsananguri zvakazara manzwiro
Jehovha haatombodi kuti tinzwe saizvozvo. aiita Eriya. Asi chatinonyatsoziva ndechekuti
Nei tichidaro? Jehovha ainzwisisa kuti nei Eriya ainzwa seku-
4 Funga nezvemurume akatendeka Eriya. Je- ti ari ega, uye kuti ainyatsoziva kuti angamuba-
zebheri akanga apika kumuuraya, saka Eriya tsira sei.
akaita mazuva anopfuura 40 achitiza neupe- 5 Jehovha ane zvinhu zvakasiyana-siyana

nyu hwake. (1 Madz. 19:1-9) Paakanga ava mu- zvaakaita kuti abatsire Eriya. Akakurudzira
bako ari ega, akachema kuna Jehovha achiti: Eriya kuti ataure. Akamubvunza kaviri kese ku-
‘Ndini ndega muprofita asara.’ (1 Madz. 19: ti: “Uri kuitei pano?” (1 Madz. 19:9, 13) Pe-
10) Munyika yacho makanga muchine vamwe se ipapo Jehovha akateerera Eriya paaidurura
vaprofita, nekuti Obhadhiya akanga aponesa mwoyo wake kwaari. Jehovha akabva arati-
vaprofita 100 kuti vasaurayiwe naJezebheri. dza Eriya kuti aiva naye uye kuti ane simba
(1 Madz. 18:7, 13) Saka nei Eriya ainzwa sekuti guru. Akaitawo kuti Eriya azive kuti pakanga
aiva ega? Kungava here kuti akafunga kuti va- paine vamwe vaIsraeri vakawanda vainama-
profita vese vakaponeswa naObhadhiya vainge ta Jehovha. (1 Madz. 19:11, 12, 18) Eriya anofa-
vafa? Kungava here kuti akanzwa sekuti aiva nira kunge akazorodzwa pashure pekunge adu-
ega nekuti vamwe vanhu havana kubatana na- rura mwoyo wake kuna Jehovha uye anzwa
4. Nei muprofita Eriya akataura kuti: “Ndini ndega nda- 5. Jehovha akabatsira sei Eriya kuti azive kuti akanga
sara”? asiri ega?

Kufunga nezvekubatsirwa kwakaitwa


Eriya naJehovha kunotinyaradza sei
patinonzwa sekuti tiri tega?
(Ona ndima 5-6)
kunetsa uye kuti zviri kuita kuti unzwe sei. Mu-
kumbire kuti akubatsire kuziva kuti ungaitei
paunenge uchinzwa sekuti uri wega kana kuti
paunenge wakasuruvara. Semuenzaniso, kana
uchinzwa sekuti uri wega uye uchitya kutaura
zvaunotenda kuchikoro, kumbira Jehovha ku-
ti akupe ushingi hunodiwa kuti ukwanise kuta-
ura wakasununguka. Unogona kutomukumbi-
ra uchenjeri kuti ukwanise kutsanangurira va-
mwe zvaunotenda nenzira yakanaka. (Ruka 21:
14, 15) Kana wakaora mwoyo, kumbira Jeho-
vha kuti akubatsire kuti ukwanise kutaura ne-
muKristu akasimba pakunamata. Unogona ku-
Unotsvaga nzira dzekuwedzera kumbira Jehovha kuti abatsire muKristu iye-
ushumiri hwako uye kuhuita ye kuti anzwisise manzwiro auri kuita. Durura
nevamwe here? mwoyo wako kuna Jehovha, ona kuti ari kupi-
(Ona ndima 7)
ndura sei minyengetero yako, uye bvuma kuba-
tsirwa nevamwe. Kana ukadaro, hauzonyanyi
kunzwa sekuti uri wega.
7 Tese takapiwa basa rinokosha naJehovha.
mhinduro yake. Jehovha akapa Eriya maba-
sa anokosha akasiyana-siyana. Akamuudza ku- Unogona kuva nechokwadi chekuti anoona
ti azodze Hazaeri kuti ave mambo weSiriya, uye anokoshesa zvese zvaunoita muungano
Jehu ave mambo weIsraeri, uye Erisha ave uye muushumiri. (Pis. 110:3) Kuramba uchiita
muprofita. (1 Madz. 19:15, 16) Jehovha aka- basa iri kungakubatsira sei paunenge uchinzwa
batsira Eriya kuti aise pfungwa dzake pazvi- sekuti uri wega? Funga nezvemuenzaniso wei-
nhu zvakanaka nekumupa kwaakaita mabasa mwe hama yechidiki inonzi Mauricio.1 Mau-
aya. Mwari akamupawo shamwari yepedyo ye- ricio achangobhabhatidzwa, imwe shamwari
kushanda nayo, Erisha. Ungaitei kuti ubatsi- yake yepedyo yakatanga kusiya chokwadi zvi-
rwe naJehovha paunenge uchinzwa sekuti uri shoma nezvishoma. Mauricio anoti, “Kumu-
wega? ona achisiya Jehovha zvishoma nezvishoma
6 Jehovha anoda kuti unyengetere kwaari. kwakaita kuti ndisava nechokwadi nezvandaii-
Anoona matambudziko auri kusangana na- ta. Ndainetseka kuti ndichakwanisa here kuza-
wo, uye anoda kuti uve nechokwadi chekuti dzisa mhiko yangu yekuzvitsaurira kuna Jeho-
achateerera minyengetero yako chero nguva. vha uye kuramba ndiri mumhuri yake. Ndai-
(1 VaT. 5:17) Anofarira kuteerera vanamati va- nzwa sekuti ndiri ndega, uye ndaiona sekuti
ke. (Zvir. 15:8) Unganyengetera nezvei paune- hapana anogona kunzwisisa manzwiro andaii-
nge uchinzwa sekuti uri wega? Durura mwo- ta.” Chii chakabatsira Mauricio? Anoti, “Nda-
yo wako kuna Jehovha, sezvakaitwa naEriya. kawedzera ushumiri hwangu. Izvi zvakandiba-
(Verenga Pisarema 62:8.) Muudze zviri ku-
1 Mamwe mazita akachinjwa.
6. Unganyengetera nezvei paunenge uchinzwa sekuti uri
wega? (Pisarema 62:8) 7. Unodzidzei pane zvakaitwa naMauricio?

10 NHARIREYOMURINDI
tsira kuti ndisangoramba ndichifunga nezva- chakakanganisa muviri wake wese. (Job. 2:7)
ngu uye manzwiro andaiita. Pandaishanda ne- Jobho airwadziwa zvakanyanya zvekuti akati:
vamwe muushumiri, ndaifara uye ndaisanya- “Ndinosema upenyu hwangu; handidi kuramba
nya kunzwa sekuti ndiri ndega.” Kunyange pa- ndichirarama.”—Job. 7:16.
tisingakwanisi kuparidza nehama nehanzvadzi 10 Jehovha aiona zvaiitika kuna Jobho. Se-

dzedu tiri panzvimbo imwe chete, tinosimbi- zvo Jehovha aida Jobho, akamupa zvaaida
swa patinoparidza nadzo tichishandisa tsamba kuti akwanise kutsungirira matambudziko ake
uye mafoni. Chii chimwe chakabatsira Mauri- uye kuti arambe akatendeka. Jehovha akatau-
cio? Anowedzera kuti: “Ndakarambawo ndi- ra naJobho, achimuyeuchidza nezveuchenjeri
chiita zvakawanda muungano. Ndaiita zvese hwake husingagumi uye kuda kwaanoita zvi-
zvandaigona pakugadzirira uye pakupa zvika- nhu zvaakasika. Akataura nezvemhuka dzaka-
mu zvevadzidzi pamisangano. Izvi zvakaita ku- wanda dzinoshamisa. (Job. 38:1, 2; 39:9, 13,
ti ndinzwe ndichikosheswa naJehovha uye ne- 19, 27; 40:15; 41:1, 2) Jehovha akashandisa-
vamwe.” wo murume wechidiki akatendeka ainzi Erihu
kuti asimbise Jobho uye amunyaradze. Eri-
PATINONZWA TAREMERWA
NEMATAMBUDZIKO AKAKURA hu akaita kuti Jobho ave nechokwadi chekuti
Jehovha anogara achipa mubayiro vanama-
8 Tinotarisira kusangana nematambudziko
ti vake vanoramba vachitsungirira. Asi Jeho-
mumazuva ano ekupedzisira. (2 Tim. 3:1) Ku-
vha akaitawo kuti Erihu ape Jobho mazano
nyange zvakadaro, mamwe ematambudziko
anoratidza rudo. Erihu akabatsira Jobho ku-
acho anogona kutiwira tisingambotarisiri. Ti-
ti arege kunyanya kufunga nezvake pachake,
nogona kungoerekana tava nedambudziko re-
achimuyeuchidza kuti aiva mudiki zvakadii ka-
mari, tabatwa chirwere chakaipa, kana kufirwa
na achienzaniswa naJehovha, Musiki wezvi-
nemunhu watinoda. Pakadaro, tinogona ku-
nhu zvese. (Job. 37:14) Jehovha akapawo Jo-
nzwa tichinetseka uye takaremerwa, kunyanya
bho basa rekuita. Akamuudza kuti anyengete-
patinoona sekuti matambudziko acho ari kuu-
rere shamwari dzake nhatu idzo dzainge dzata-
ya akatevedzana kana kuti auya panguva imwe
dza. (Job. 42:8-10) Jehovha anotitsigira sei
chete. Asi yeuka kuti Jehovha anoziva zvatiri
mazuva ano patinosangana nematambudziko
kusangana nazvo, uye tichibatsirwa naye tino-
akaoma?
gona kutsungirira chero dambudziko.
11 Jehovha haatauri nesu zvakananga sezva-
9 Funga kuti Jehovha akabatsira sei murume
aiita naJobho, asi anotaura nesu achishandi-
ainge akatendeka Jobho. Munguva pfupi aka-
sa Shoko rake, Bhaibheri. (VaR. 15:4) Ano-
sangana nematambudziko akawanda akakura.
tinyaradza nekutipa tariro yeramangwana.
Muzuva rimwe chete, Jobho akaudzwa kuti
Ona pfungwa shomanana dzemuBhaibheri dzi-
zvipfuwo zvake zvakanga zvabiwa uye zvimwe
nogona kutinyaradza patinenge tiri mumata-
zvafa, uye kuti vashandi vake nevana vake va-
mbudziko. MuBhaibheri, Jehovha anotivimbi-
kanga vaurayiwa. (Job. 1:13-19) Izvi zvicha-
sa kuti hapana ‘chingatiparadzanisa nerudo
ngobva kuitika uye achiri kurwadziwa nekufi-
rwa, Jobho akava nechirwere chairwadza uye 10. Jehovha akabatsira sei Jobho kuti atsungirire mata-
mbudziko ake? (Ona mufananidzo uri pakavha.)
8. Matambudziko akakura angaita kuti tinzwe sei? 11. Bhaibheri rinotinyaradza sei patinenge tiri mumata-
9. Taura mamwe matambudziko akasangana naJobho. mbudziko?

AUGUST 2022 11
rwake,’ uye izvi zvinosanganisira matambu- ya vanovimba neShoko rake. Uye mweya iwo-
dziko akakura atingasangana nawo. (VaR. 8: yo unotipa “simba rakawedzerwa pane rata-
38, 39) Anotivimbisawo kuti “ari pedyo neva- gara tiinaro” kuti titsungirire chero muedzo.
nhu vese vanodana kwaari” mumunyengetero. —2 VaK. 4:7-10.
(Pis. 145:18) Jehovha anotiudza kuti kana tika- 13 Achibatsirwa naJehovha, “muranda aka-

vimba naye, tinogona kutsungirira chero da- tendeka, akangwara” ari kubudisa nyaya dza-
mbudziko, kunyange kutowana mufaro patine- kawanda, mavhidhiyo, uye mimhanzi zvinoti-
nge tichitambura. (1 VaK. 10:13; Jak. 1:2, 12) batsira kuti tive nekutenda kwakasimba uye
Shoko raMwari rinotiyeuchidzawo kuti mata- tirambe tiri pedyo naJehovha. (Mat. 24:45)
mbudziko edu ndeenguva diki kana achienza- Tinofanira kunyatsoshandisa zvese zvatinopi-
niswa nemubayiro usingaperi waanotivimbisa. wa naJehovha. Munguva pfupi ichangopfu-
(2 VaK. 4:16-18) Jehovha anotipa tariro yeku- ura, imwe hanzvadzi yekuUnited States ya-
ti achaparadza vaya vanokonzera matambu- kataura kuti inoonga chaizvo zvekudya zve-
dziko edu, kureva Satani Dhiyabhorosi nevaya kunamata zvese izvi. Yakati: “Mumakore 40
vanoita zvakaipa saiye. (Pis. 37:10) Wakaba- andashumira Jehovha, kuperera kwangu kuna
ta nemusoro here mavhesi emuBhaibheri ano- Jehovha kwakaedzwa kakawanda.” Hanzva-
nyaradza kuti azokubatsira kutsungirira pau- dzi iyi yakasangana nematambudziko akaku-
chasangana nematambudziko? ra. Sekuru vake vakafa mutsaona yakakonze-
12 Jehovha anotarisira kuti tironge nguva ye-
rwa nemutyairi ainge akadhakwa, vabereki va-
kugara tichidzidza Bhaibheri uye yekunyatso- ke vakarwara ndokufa, uye iye akabatwa kenza
fungisisa zvatinenge taverenga. Patinoshandi- kaviri. Chii chakamubatsira kuti atsungirire?
sa zvatinenge tadzidza, kutenda kwedu kuno- Anoti: “Jehovha ane hanya neni nguva dzese.
wedzera kusimba uye tinowedzera kuva pe- Zvekudya zvekunamata zvaanopa achishandi-
dyo naBaba vedu vekudenga. Izvi zvinoita ku- sa muranda akatendeka, akangwara, zvakandi-
ti tiwane simba rekutsungirira miedzo. Jeho- batsira kutsungirira. Zvinoita kuti nditaure se-
vha anopawo mweya mutsvene wake kune va-
13. Zvekudya zvekunamata zvatinopiwa ‘nemuranda
12. Jehovha anotarisira kuti tiitei kana tichida kubatsi- akatendeka, akangwara’ zvinotibatsira sei kutsungirira
rwa zvizere neShoko rake? matambudziko?

Tingaitei kuti tibatsire


vamwe vari muungano?
(Ona ndima 14)

12
zvakaita Jobho kuti: ‘Kusvikira ndafa, handi- TINOONGA RUDO
zosiyi kuperera kwangu kuna Mwari!’ ”—Job. RWATINORATIDZWA NAJEHOVHA
27:5. 15 Tese tichasangana nematambudziko. Asi

14 Jehovha akadzidzisa vanhu vake kuti va- sezvatadzidza, tinenge tisiri tega patinosa-
danane uye vanyaradzane panguva dzemata- ngana nematambudziko. Nguva dzese Jeho-
mbudziko. (2 VaK. 1:3, 4; Verenga 1 VaTe- vha anenge ainesu, sezvinoita baba vane rudo.
saronika 4:9.) Dzichitevedzera Erihu, hama Ari pedyo nesu, akagadzirira kunzwa zviku-
nehanzvadzi dzedu dzinoda kutibatsira kuti mbiro zvedu zvekuda kubatsirwa uye anoda
tirambe takatendeka patinenge tiri mumata- chaizvo kutitsigira. (Isa. 43:2) Tine chokwadi
mbudziko. (Mab. 14:22) Semuenzaniso, Diane chekuti tinogona kutsungirira matambudziko
akakurudzirwa neungano uye akabatsirwa ku- nekuti akatipa zvese zvatinoda kuti tikwani-
ti arambe ari pedyo naJehovha murume wa- se kutsungirira. Akatipa chipo chekunyengete-
ke paakarwara zvakanyanya. Anoti: “Zvainge ra, Bhaibheri, zvekudya zvekunamata zvaka-
zvakaoma. Asi takanyatsonzwa kuti Jehovha wanda, uye hama nehanzvadzi dzine rudo kuti
aiva nesu mumwedzi iyoyo yainge yakaoma. tibatsirwe panguva dzekutambudzika.
16 Tinotenda chaizvo kuti tina Baba vekude-
Ungano yedu yakaita zvinhu zvakawanda pa-
kutitsigira. Kushanyirwa, kufonerwa, uye ku- nga vanotichengetedza! ‘Mwoyo yedu inofa-
mbundirwa kwataiitwa nehama nehanzvadzi dzwa navo.’ (Pis. 33:21) Tinoratidza Jehovha
kwakatibatsira kuti titsungirire. Sezvo ndisi- kuti tinokoshesa kutichengeta kwaanotiita ka-
ngakwanisi kutyaira mota, hama nehanzvadzi na tikashandisa zvese zvaanotipa kuti atibatsi-
dzakava nechokwadi chekuti ndakwanisa kue- re. Tinofanira kuitawo pedu kuti tirambe tiri
nda kumisangano uye kubuda muushumiri pa- mumaoko aMwari. Nemamwe mashoko, kana
ndaikwanisa.” Tinofara chaizvo kuti muunga- tikaramba tichiita zvese zvatinogona kuti tite-
no tine hama nehanzvadzi dzine rudo dzaka- erere Jehovha uye tiite zvakarurama, achati-
daro! chengetedza nekusingaperi!—1 Pet. 3:12.

14. Jehovha anoshandisa sei hama nehanzvadzi dzedu 15. Nei tiine chokwadi chekuti tinogona kutsungirira ma-
kuti atitsigire patinenge tiri mumatambudziko? (1 VaTe- tambudziko?
saronika 4:9) 16. Tingaitei kuti tirambe tichichengetedzwa naJehovha?

UNGAPINDURA SEI?

˛ Jehovha anotibatsira sei ˛ Jehovha anotibatsira sei ˛ Nei tichionga kuchengete-


patinonzwa sekuti tiri tega? patinoremerwa nematam- dzwa kwatinoitwa naJeho-
budziko akakura? vha?

RWIYO 30
Baba Vangu, Mwari Wangu, Shamwari Yangu
NYAYA
YEKUDZIDZA 34

‘Rambai Muchifamba
Muchokwadi’
RWIYO 111
Zvinoita Kuti Tifare ‘Rambai muchifamba muchokwadi.’—3 JOH. 4.

ZVICHADZIDZWA “WAKAWANA sei chokwadi?” Zviri pachena kuti wakapindu-


Tinowanzotaura nezvezva- ra mubvunzo iwoyo kakawanda. Ndiwo mumwe wemibvunzo
tinotenda uye mararamiro yatinotanga kubvunza hama kana hanzvadzi yatinenge tichi-
edu tichiti ndicho “cho- da kuzivana nayo. Tinofarira chaizvo kunzwa kuti hama neha-
kwadi.” Tingava tiri vatsva nzvadzi dzedu dzakasvika sei pakuziva Jehovha uye kumu-
muchokwadi kana kuti ta- da, uye tinonakidzwa nekudziudza madiro atinoita chokwadi.
nge tirimo kweupenyu (VaR. 1:11) Kukurukura uku kunotiyeuchidza kuti chokwadi
hwese, tinobatsirwa chai- chinokosha zvakadii kwatiri. Tinobva tatowedzerawo kuva ne-
zvo nekukurukura kuti nei chido ‘chekuramba tichifamba muchokwadi,’ kureva kuramba
tichida chokwadi. Patinoita
tichirarama nenzira inoita kuti Jehovha atikomborere uye ati-
izvozvo, tinowedzera kuva
farire.—3 Joh. 4.
nechido chekuita zvinhu
2 Munyaya ino tichakurukura zvimwe zvikonzero zvinoita
zvinoita kuti tifarirwe na-
Jehovha. kuti tide chokwadi. Tichabva takurukura zvatingaita kuti tira-
mbe tichiratidza kuti tinoda chipo ichi chinokosha. Izvi zvi-
chaita kuti tiwedzere kukoshesa kwatinoita zvakaitwa naJe-
hovha kuti atiunze muchokwadi. (Joh. 6:44) Kuchasimbisawo
chido chedu chekudzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri.
NEI TICHIDA “CHOKWADI”?
3 Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti tide chokwadi.
1. Tinobatsirwa sei nekutaura nezvemawaniro atakaita “chokwadi”?
2. Tichakurukurei munyaya ino?
3. Ndechipi chikonzero chikuru pane zvese chinoita kuti tide chokwadi?

14
Chikonzero chikuru pane zvese ndechekuti ti- verenga mashoko akaramba ari mupfungwa
noda Jehovha Mwari, Tsime rechokwadi. Ku- dzake ekuti: “Rimwe zuva kuchange kusisi-
bva muShoko rake Bhaibheri, takasvika paku- na mangwana.” Anoti: “Mashoko iwayo aindi-
muziva seMusiki wedenga nenyika ane simba, shaisa hope pandaifunga nezveramangwana.
uyewo saBaba vedu vekudenga vane rudo uye Ndakati nechemumwoyo, ‘Upenyu hunofani-
vane hanya nesu. (1 Pet. 5:7) Tinoziva kuti ra kunge huine chinangwa. Nei ndiri panyi-
Mwari wedu “ane ngoni netsitsi, anonono- ka?’ Ndaisada kufa.”
ka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji, 7 Paakanga ava kuyaruka, Yvonne akazoo-

nechokwadi.” (Eks. 34:6) Anoda zvakarura- nana neZvapupu zvaJehovha. Anoti: “Nda-
ma. (Isa. 61:8) Anorwadziwa paanoona tichi- katanga kutenda kuti ndinogona kuva neta-
tambura, uye anoda chaizvo kupedza kuta- riro yekurarama nekusingaperi muParadhi-
mbura kwese panguva yakasarudzwa. (Jer. so panyika.” Kudzidza chokwadi kwakabatsi-
29:11) Nguva iyoyo takaimirirawo. Ndosaka ra sei hanzvadzi yedu? Yvonne anowedze-
tichida Jehovha chaizvo! ra kuti: “Handichashayi hope usiku ndichi-
4 Ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti netseka nezveramangwana kana rufu.” Zviri
tide chokwadi? Chokwadi chinotibatsira cha- pachena kuti Yvonne anoda chokwadi che-
izvo. Funga nezvemuenzaniso mumwe chete. Bhaibheri, uye anonakidzwa chaizvo nekuu-
Chokwadi cheBhaibheri chinosanganisira ta- dza vamwe nezvetariro yake yeramangwana.
riro yedu yeramangwana. Kuti aratidze kuko- —1 Tim. 4:16.
sha kwetariro iyoyo, muapostora Pauro aka- 8 Chokwadi cheBhaibheri chinosanganisira-

nyora kuti: “Tine tariro iyi sechinhu chino- wo mashoko akanaka eUmambo hwaMwa-
tsigisa mweya, yechokwadi uye yakasimba.” ri. Jesu akafananidza chokwadi cheUmambo
(VaH. 6:19) Sezvinoita chinhu chinotsigisa ihwohwo nepfuma yakavanzwa. Sezvakanyo-
chikepe icho chinoita kuti chikepe chisakuku- rwa pana Mateu 13:44, Jesu akati: “Uma-
rwa, tariro yedu inobva muBhaibheri inotitsi- mbo hwekudenga hwakafanana nepfuma ya-
gisa patinosangana nematambudziko muupe- kavanzwa musango, yakawanikwa nemunhu
nyu. ndokuiviga; uye nekufara kwaanoita, anoe-
5 Pauro aitaura nezvetariro yekudenga ine nda otengesa zvinhu zvese zvaainazvo otenga
vaKristu vakazodzwa. Asi mashoko ake ano- sango iroro.” Ona kuti murume wacho aka-
shandawo kuvaKristu vanotarisira kuzorara- nga asiri kutsvaga pfuma. Asi paakaiwana,
ma nekusingaperi munyika inenge iri paradhi- ane zvinhu zvikuru zvaakaita kuti ave nayo.
so. (Joh. 3:16) Zviri pachena kuti kudzidza Akatotengesa zvese zvaaiva nazvo. Nei aka-
nezvetariro yeupenyu husingaperi kwakaita daro? Aiziva kuti pfuma yacho yaikosha chai-
kuti upenyu hwedu huve nechinangwa. zvo. Kukosha kwayo kwaipfuura nekure zvi-
6 Funga zvakaitika kune imwe hanzvadzi nhu zvaakanga arasikirwa nazvo.
inonzi Yvonne. Haana kukurira muchokwadi, 9 Ndiwo manzwiro aunoita nezvechokwa-

uye paaiva mwana aitya rufu. Anoyeuka achi- di here? Zviri pachena kuti unonzwa saizvo-
zvo! Tinoziva kuti hapana chinhu chinopiwa
4-5. Nei muapostora Pauro akafananidza tariro yedu
nechinhu chinotsigisa? 8-9. (a) Mune mumwe wemifananidzo yaJesu, mumwe
6-7. Yvonne akabatsirwa sei nekudzidza chokwadi ne- murume akaitei achiratidza kuti aikoshesa pfuma yaaka-
zveramangwana? nga awana? (b) Chokwadi chinokosha zvakadii kwauri?

AUGUST 2022 15
Chokwadi Sechinhu Chinotsigisa
Chikepe
cheBhaibheri
Sezvo chinhu chinotsigisa
Chakaita . . . chikepe chichiita kuti chikepe
chigadzikane, tariro yedu iri
muBhaibheri inoita kuti
tigadzikane patinenge tiri
mumatambudziko. Chokwadi
chiri muBhaibheri chinoitawo kuti
tide kuudza vamwe nezvetariro
yedu yeramangwana
(Ona ndima 4-7)

Sepfuma
Kushumira Jehovha iye
zvino uye kuva netariro
yekumushumira
nekusingaperi muUmambo
hwake kwakaita sepfuma.
Kunokosha kupfuura chero
chii zvacho chatingafanira
kurasikirwa nacho
(Ona ndima 8-11)

Serambi
Rambi rakanyatsojeka
rinotibatsira kuona nzira
yedu murima. Saizvozvowo,
Shoko raMwari rinotibatsirawo
kuona nzira yedu munyika
yaSatani ine rima
(Ona ndima 12-13)

16 NHARIREYOMURINDI
nenyika ino chinogona kuenzaniswa nemufa- di chaakanga awana, uye izvozvo zvakamui-
ro watiinawo pakushumira Jehovha iye zvino, ta kuti achinje zvinhu zvakakura muupenyu
tiine tariro yekurarama upenyu husingaperi hwake.—Jak. 1:25.
mune ramangwana tichitongwa neUmambo 12 Kuti riratidze kukosha kwechokwadi,

hwaMwari. Ropafadzo yatiinayo yekuva neu- Bhaibheri rinofananidza chokwadi nerambi


shamwari hwepedyo naJehovha inokosha ku- rinovheneka murima. (Pis. 119:105; VaEf.
pfuura chero chii zvacho chatingarasikirwa 5:8) Mayli, anobva kuAzerbaijan, anokoshesa
nacho. Mufaro wedu mukuru unobva ‘paku- chaizvo kubatsirwa kwaakaitwa neShoko ra-
nyatsomufadza.’—VaK. 1:10. Mwari. Vabereki vake vaiva nezvitendero zva-
10 Vakawanda vedu tine zvinhu zvakakura kasiyana. Baba vake vaipinda chitendero che-
zvatakasiya kuitira kuti tifarirwe naJehovha. chiMuslim, uye amai vake vaipinda chechiJu-
Vamwe vakasiya mabasa epamusorosoro mu- dha. Anoti: “Kunyange zvazvo ndaibvuma ku-
nyika. Vamwe vakarega kudzingirirana nepfu- ti Mwari ariko, ndaiva nemibvunzo yakawa-
ma. Vamwe vakachinja mararamiro avo zva- nda. Zvaindinetsa kuti, ‘Nei Mwari akasika
chose pavakadzidza nezvaJehovha. Ndizvo vanhu, uye kuti zvinobatsirei kuti munhu ata-
zvakaitwa naMichael. Haana kukurira mu- mbure kweupenyu hwake hwese uye ozota-
chokwadi. Paaiva mudiki, akadzidziswa kara- mbura zvakare nekusingaperi mumoto?’ Se-
ti. Anoti: “Zvaikosha chaizvo kwandiri ku- zvo vanhu vaitaura kuti zvese zvinoitika kuda
ti ndigare ndakagwinya. Dzimwe nguva nda- kwaMwari, ndaizvibvunza kuti, ‘Mwari ndiye
inzwa sekuti hapana anondirova.” Asi paa- anoita kuti vanhu vaite zvavanoita here, ozo-
katanga kudzidza Bhaibheri, Michael akadzi- nakidzwa nekuvaona vachitambura?’”
13 Mayli akaramba achitsvaga mhinduro
dza kuti Jehovha anoona sei zvekurwisana.
(Pis. 11:5) Achitaura nezvemurume nemudzi- dzemibvunzo yake. Nekufamba kwenguva
mai vakamudzidzisa Bhaibheri, Michael ano- akabvuma kudzidza Bhaibheri ndokuzouya
ti: “Havana kumbobvira vandiudza kuti nda- muchokwadi. Anoti: “Mashoko anogutsa ari
ifanira kurega zvekarati, asi vakangoramba muBhaibheri akandibatsira kuti ndiwedzere
vachindidzidzisa chokwadi cheBhaibheri.” kuva munhu anofara muupenyu. Tsanangu-
11 Michael paaiwedzera kuziva Jehovha, ai-
dzo dzine musoro dzandakawana muShoko
raMwari dzakaita kuti ndigadzikane mupfu-
wedzerawo kumuda. Akanyanya kubayiwa
ngwa.” Sezvinoitwa naMayli, tese tinorumbi-
mwoyo nekunzwira tsitsi kunoita Jehovha va-
dza Jehovha, ‘uyo akatidana kubva murima
namati vake. Nekufamba kwenguva, Michael
akatipinza muchiedza chake chinoshamisa.’
akaona kuti aifanira kuita chisarudzo chaizo-
—1 Pet. 2:9.
chinja upenyu hwake. Anoti: “Ndaiziva kuti 14 Iyi inongova mienzaniso mishomanana
kurega karati ndicho chinhu chaizondiomera
inoratidza kukosha kwechokwadi. Unogona-
pane zvese. Asiwo ndaiziva kuti izvi zvaizo-
wo kufunga nezvemimwe yakawanda. Uno-
fadza Jehovha uye kuti kumushumira kwa-
gona kuronga kuti paunenge uchidzidza uri
ikosha kupfuura zvinhu zvese zvandaizore-
ga.” Michael ainzwisisa kukosha kwechokwa- 12-13. Chokwadi cheBhaibheri chakabatsira sei Mayli?
14. Tingawedzera sei kuda kwatinoita chokwadi? (Ona-
10-11. Chii chakaita kuti Michael achinje mararamiro wo bhokisi rakanzi “Zvimwe Zvinhu Zvatingafananidza
ake? Nazvo Chokwadi cheBhaibheri.”)

AUGUST 2022 17
Zvimwe Zvinhu
Zvatingafananidza Nazvo Chokwadi cheBhaibheri chakaita segirazi.
Chokwadi cheBhaibheri Patinoverenga uye kudzidza Bhaibheri, tino-
gona kuona zvatiri chaizvo nechemukati uye
Munyaya ino taona kuti “chokwadi” patinofanira kuvandudza.—Jak. 1:22-25
chinogona kufananidzwa nechinhu
chinotsigisa chikepe, nepfuma uye ne-
rambi. Tinogona kufananidza kukosha
kwechokwadi nezvimwewo zvinhu.
Semuenzaniso:

Sezvo mvura ichiita kuti titonhorerwe paku-


nenge kuchipisa, chokwadi cheBhaibheri chi-
notinyaradza uye chinotisimbisa munyika ino
ine vanhu vakawanda vasingazivi Mwari.—Pis.
23:2, 3

wega utsvage zvimwe zvikonzero nei tichi- ka mune nhema dzakawanda chaizvo zvekuti
fanira kuda chokwadi. Patinowedzera kuda zvinogona kuoma kuti munhu azive kuti cho-
chokwadi, tinowedzerawo kuwana nzira dze- kwadi ndechipi. Kuti uchiwane unofanira ku-
kuratidza nadzo kuti tinochida. ramba uchichitsvaga. Zvinoda kushanda nesi-
TINORATIDZA SEI mba kuti uchiwane. Usagutsikana nekuwana
KUTI TINODA CHOKWADI? chokwadi chishomanana. Ramba uchitsvaga
15 Tinogona kuratidza kuti tinoda chokwadi chimwe.’ Kudzidza ibasa, asi kushandira zvi-
nekugara tichidzidza Bhaibheri uye mabhuku ripo.
16 Hatisi tese tinofarira zvekuverenga uye
anotsanangura Bhaibheri. Pasinei nekuti tine
nguva yakareba zvakadini tiri muchokwadi ti- kudzidza. Asi Jehovha anotiudza kuti ‘ti-
nogara tiine zvimwe zvekudzidza. Magazini rambe tichitsvaga’ kuti tiwedzere kunzwisisa
yekutanga yeNharireyomurindi yakati: ‘Munyi- chokwadi. (Verenga Zvirevo 2:4-6.) Patino-

15. Ndeipi imwe nzira yatingaratidza nayo kuti tinoda 16. Inzira ipi yekudzidza yawakaona ichishanda? (Zvire-
chokwadi? vo 2:4-6)

18 NHARIREYOMURINDI
shanda nesimba saizvozvo, tinotowana mu- ta kuti chokwadi chitiunzire mufaro chaiwo.
bayiro. Achitaura nezvekuverenga kwaanoita (Verenga Jakobho 1:25.) Tingaitei kuti tira-
Bhaibheri ari ega, Corey anoti anoongorora rame maererano nechokwadi? Imwe hama ya-
vhesi imwe chete panguva. Anoti: “Ndinovere- kati tinofanira kuzviongorora kuti tione kuti
nga mashoko ese emuzasi, ndotarisa magwa- ndepapi patiri kuita zvakanaka uye kuti nde-
ro ese anoratidzwa nekabhii kanenge karipo, papi patinofanira kuvandudza. Muapostora
uye ndinotsvakurudza zvimwewo. . . . Kuvere- Pauro akazvitaura achiti: “Kusvikira patasvi-
nga Bhaibheri nenzira iyi kunoita kuti ndidzi- ka tichienda mberi, ngatirambei tichifamba
dze zvakawanda!” Tingave tichidzidza nenzira zvakanaka nenzira iyi.”—VaF. 3:16.
iyi kana kuti neimwewo, tinoratidza kuti tino- 18 Funga nezvekubatsira kwazvinotiita pa-

koshesa chokwadi patinoshandisa nguva nesi- tinoita zvese zvatinogona kuti ‘tirambe ti-
mba pakuchidzidza.—Pis. 1:1-3. chifamba muchokwadi.’ Upenyu hwedu hu-
17 Tinoziva kuti hazvina kukwana kungodzi- novandudzika, uyewo tinofadza Jehovha pa-
dza chokwadi. Kuti tinyatsobatsirwa, tinofa- mwe chete nevatinonamata navo. (Zvir. 27:
nira kurarama maererano nechokwadi, kure- 11; 3 Joh. 4) Izvi ndizvo zvikonzero zvaka-
va kuti, tinofanira kushandisa zvatinodzidza nyanya kunaka zvekuti tide chokwadi uye ti-
muupenyu hwedu. Izvozvo ndizvo zvichai- rarame maererano nechokwadi.
17. Zvinorevei kurarama maererano nechokwadi? (Jako- 18. Nei tichiita zvese zvatinogona kuti ‘tirambe tichifa-
bho 1:25) mba muchokwadi’?

UNGAPINDURA SEI?

˛ Nei tichida “chokwadi”? ˛ Tingaitei kuti tiwedzere ˛ Tingaratidza sei kuti tinoda
kukoshesa chokwadi? chokwadi?

RWIYO 144
Ramba Wakatarisa Mubayiro!
NYAYA
YEKUDZIDZA 35

Rambai “Muchivakana”
RWIYO 90 “Rambai muchikurudzirana uye muchivakana.”
Kurudziranai —1 VAT. 5:11.

ZVICHADZIDZWA UNGANO yenyu yakambovaka kana kugadzirisa Imba yeUma-


Upenyu munyika ino hwa- mbo here? Kana zvakadaro, zviri pachena kuti unoyeuka mu-
kaoma. Hama nehanzvadzi sangano wekutanga wamakapindira imomo. Wakatenda Jeho-
dzedu dziri kusangana ne- vha chaizvo. Zvimwe wakafara zvekuti wakaita seuchachema
matambudziko akawanda. uye zvainge zvakakuomera kuimba rwiyo rwekutanga. Dzimba
Tinogona kuvabatsira kana dzedu dzeUmambo dzakavakwa zvakanaka uye dzinoita kuti
tikatsvaga nzira dzekuva- Jehovha arumbidzwe. Asi pane rimwe basa rekuvaka ratinoi-
kurudzira nadzo. Saka ta rinoita kuti arumbidzwe zvinotopfuura ipapo. Basa iroro ri-
zvakanaka kuti tikurukure nosanganisira chimwe chinhu chinokosha kupfuura zvivakwa.
nezvemuenzaniso wemua- Rinosanganisira kuvaka vanhu vanouya kunzvimbo idzodzo
postora Pauro.
dzekunamatira. Muapostora Pauro aifunga nezvekuvaka uku
kwekufananidzira paakanyora mashoko ari murugwaro rwedu
rwuri kutungamirira rwa1 VaTesaronika 5:11.—Verenga.
2 Muapostora Pauro muenzaniso wakazonaka wemunhu ai-

ziva kuvaka vamwe vaKristu. Aivanzwira tsitsi. Munyaya ino


tichakurukura kuti akabatsira sei hama nehanzvadzi dzake ku-
ti (1) dzitsungirire matambudziko, (2) dzive nerugare nemu-
mwe nemumwe, uye (3) dzisimbise kutenda kwadzo muna
Jehovha. Ngationei kuti tingamutevedzera sei mazuva ano,
tovaka hama nehanzvadzi dzedu.—1 VaK. 11:1.
PAURO AKABATSIRA HAMA NEHANZVADZI DZAKE
KUTI DZITSUNGIRIRE MATAMBUDZIKO
3Pauro aida hama dzake chaizvo. Akanga atombosangana-
wo nematambudziko. Saka aikwanisa kunzwira tsitsi vamwe
vaKristu pavaiva mumatambudziko. Pane imwe nguva, Pauro
akapererwa nemari, uye aitofanira kutsvaga basa kuti azviriri-
1. Maererano na1 VaTesaronika 5:11, ibasa ripi ratinoita tese?
2. Tichakurukurei munyaya ino?
3. Pauro aiva nemaonero api akanaka?

20
tire iye nevaaifamba navo. (Mab. 20:34) Aiita Pauro achisimbisa hama dzeikoko. Sezvo aka-
basa rekugadzira matende. Paakasvika muKo- nga aona zvakanga zvaitwa naJehovha, Timo-
rinde, pakutanga akashanda nevamwe vaiga- ti aigona kuvimbisa hama nehanzvadzi dza-
dzira matende Akwira naPrisira. Asi “pama- ke itsva kuti zvinhu zvese zvaizovafambirawo
sabata ese” aiparidzira vaJudha nevaGiriki. zvakanaka.—Mab. 14:8, 19-22; VaH. 12:2.
Pakazosvika Sirasi naTimoti, “Pauro akabva 5 Ndeipi imwe nzira iyo Pauro akasimbi-

anyura mubasa rekuparidza shoko.” (Mab. 18: sa nayo hama nehanzvadzi dzake? Pavaka-
2-5) Pauro haana kumbobvira akanganwa chi- shanyazve kuRistra, Ikoniyumu, neAndiyoki,
nangwa chake chikuru muupenyu, chekushu- Pauro naBhanabhasi ‘vakagadza vakuru mu-
mira Jehovha. Sezvo Pauro aiva muenzaniso ungano imwe neimwe.’ (Mab. 14:21-23) Zvi-
wakanaka kune vamwe pakushanda nesimba ri pachena kuti varume ivavo vakagadzwa
muushumiri uye pakuzviriritira, aikwanisa vainyaradza ungano sezvinoita vakuru ma-
kukurudzira hama nehanzvadzi dzake. Aka- zuva ano. Imwe hama inonzi Bryant inoti:
vayeuchidza kuti vasarega matambudziko eu- “Pandaiva nemakore 15, baba vangu vaka-
penyu uye mabasa ekuriritira mhuri achiita bva pamba uye amai vangu vakadzingwa mu-
kuti varegeredze ‘zvinhu zvinokosha kupfuu- ungano. Ndakanzwa kuti ndasiyiwa uye nda-
ra zvimwe,’ kureva zvese zvine chekuita neku- kaora mwoyo.” Chii chakabatsira Bryant
namata Jehovha.—VaF. 1:10. kutsungirira nguva iyi yakaoma? Anoti: “Mu-
4 Ungano yemuTesaronika ichangobva ku-
mwe mukuru anonzi Tony aitaura neni pami-
tanga, hama nehanzvadzi dzemo dzakapiki- sangano uye pane dzimwewo nguva. Akandiu-
swa zvakanyanya. Mhomho yevanhu vaipikisa dza nezvevaya vaisangana nematambudziko
payakashaya Pauro naSirasi, yakazvuzvuru- asi vachifara. Akakurukura neni Pisarema 27:
dzira “dzimwe hama kuvatongi veguta,” ichi- 10 uye aigara achitaura nezvaHezekiya, uyo
shevedzera kuti: “Varume ava vese vanoita akashumira Jehovha akatendeka kunyange
zvinopesana nemirayiro yaKesari.” (Mab. 17: zvazvo baba vake vaisava muenzaniso waka-
6, 7) Fungidzira kutya kwakaita vaKristu va- naka.” Izvi zvakabatsira sei Bryant? Bryant
tsva ava pavakaziva kuti varume veguta vaka- anoti: “Ndichikurudzirwa naTony, ndakazota-
nga vava kuvarwisa. Izvi zvaigona kuita kuti nga basa rinogutsa rekushumira munguva ya-
vaderere pakushingaira kwavaiita mubasa ra- kazara.” Vakuru, garai makagadzirira kuba-
Jehovha, asi Pauro aisada kuti izvozvo zviiti- tsira vaya vakaita saBryant vangada “shoko
ke. Kunyange zvazvo iye naSirasi vaifanira ku- rakanaka” rinokurudzira.—Zvir. 12:25.
bvamo, vakava nechokwadi chekuti ungano 6 Pauro akayeuchidza vaainamata navo kuti
itsva iyi iri kunyatsobatsirwa. Pauro akayeu- nesimba raJehovha, “gore guru rezvapupu”
chidza vaTesaronika kuti: “Takatuma Timoti, rakanga ratsungirira matambudziko. (VaH.
hama yedu . . . , kuti akusimbisei nekuku- 12:1) Pauro ainzwisisa kuti nyaya dzeupe-
nyaradzai pakutenda kwenyu, kuti parege ku- nyu dzevaya vakanga vabudirira pakutsungiri-
va neanozununguswa nematambudziko aya.” ra matambudziko akasiyana-siyana dzaigona
(1 VaT. 3:2, 3) Timoti angangodaro akata-
mbudzwa muRistra maaigara. Akanga aona 5. Imwe hama inonzi Bryant yakabatsirwa sei nemumwe
mukuru?
4. Pauro naTimoti vakabatsira sei hama nehanzvadzi 6. Pauro akashandisa sei nyaya dzeupenyu kuti akuru-
dzavo kuti dzitsungirire kutambudzwa? dzire hama nehanzvadzi dzake?

AUGUST 2022 21
kuita kuti hama nehanzvadzi dzake dzive ne- kunwa waini kana kuti kuita chimwe chinhu
ushingi uye dzirambe dzichifunga ‘nezvegu- chinogumbura hama yako.” (Verenga VaRo-
ta raMwari mupenyu.’ (VaH. 12:22) Ndizvo ma 14:19-21.) Saka Pauro akabatsira vaKri-
zviri kuitikawo mazuva ano. Tinosimbiswa stu ivavo kuti vaone kuti kupesana kwakada-
patinoverenga nezvekuti Jehovha akabatsira ro kwaikanganisa zvakadii vamwe vanhu uye
sei Gidhiyoni, Bharaki, Dhavhidhi, Samueri, ungano yese zvayo. Aitodawo kuchinja maiti-
uye vamwe vakawanda. (VaH. 11:32-35) Tino- ro ake kuti asagumbura vamwe. (1 VaK. 9:19-
simbiswawo patinoverenga nezvemienzaniso 22) Tinogonawo kuvaka vamwe tochengete-
yekutenda yemazuva ano. Kumahofisi ma- dza rugare kana tikasaitisana nharo panyaya
kuru, tinowanzogamuchira tsamba dzinobva dzekuti munhu ane kodzero yekusarudza zva-
kuhama nehanzvadzi dzine kutenda kwakasi- anoda.
mbiswa pashure pekuverenga nyaya dzeupe- 8 Pauro akaratidza muenzaniso wakana-

nyu dzevamwe vashumiri vaJehovha vakate- ka pakuchengetedza rugare nevaya vaipesa-


ndeka vemazuva ano. na naye panyaya dzinokosha. Semuenzaniso,
vamwe vaiva muungano yechiKristu panguva
PAURO AKARATIDZA
iyoyo vaisimbirira pakuti vaKristu veMamwe
HAMA NEHANZVADZI DZAKE
ZVADZINGAITA KUTI DZIVE NERUGARE Marudzi vaifanira kuchecheudzwa, zvimwe
vachiitira kuti vasatsoropodzwa nevaJudha.
7 Tinovaka hama nehanzvadzi dzedu pati-
(VaG. 6:12) Pauro akaramba zvakasimba ma-
notaura kana kuita zvinhu zvinoita kuti muu-
onero iwayo, asi pane kuti asimbirire kuti zva-
ngano muve nerugare. Hatibvumiri kusiyana
aida zvitevedzerwe, akazvininipisa ndokuita
kunoita maonero atinoita zvinhu kuchitipa-
kuti nyaya yacho iendeswe kuvaapostora ne-
radzanisa. Uye hatisimbiriri pakodzero dze-
vakuru kuJerusarema. (Mab. 15:1, 2) Zvakai-
du kana zvinhu zvinenge zvichiitwa nevamwe
twa naPauro zvakabatsira vaKristu ivavo kuti
zvisingapesani nezvinotaurwa neBhaibheri.
vaite kuti muungano murambe muine mufaro
Funga nezvemuenzaniso unotevera. Ungano
nerugare.—Mab. 15:30, 31.
yemuRoma yaiva nevaKristu vechiJudha uye 9 Kana pakava nekupesana kwakakura, tino-
veMamwe Marudzi. Mutemo waMozisi pa-
ita kuti pave nerugare nekutsvaga mazano ku-
wakanga usisashandi, zvimwe zvekudya zvai-
ne vaya vakagadzwa naJehovha kuti vafudze
rambidzwa mumutemo iwoyo zvakanga zvi-
ungano. Kakawanda kacho, mazano anobva
sisarambidzwi. (Mako 7:19) Kubva panguva
muBhaibheri anogona kuwanika mumabhuku
iyoyo zvichienda mberi, vamwe vaKristu ve-
edu kana kuti mumirayiridzo yatinopiwa ne-
chiJudha vainzwa vakasununguka kudya ma- sangano. Kana tikanyatsotevedzera mirayiri-
rudzi ese ezvekudya. Asi vamwe vaKristu dzo iyoyo pane kusimbirira pamaonero edu,
vechiJudha vaisaona zvakakodzera kuti vai- tinoita kuti muungano muve nerugare.
te izvozvo. Nyaya iyi yakaita kuti muunga- 10 Pauro akaita kuti muungano murambe
no muve nemapoka. Pauro akataura nezve-
kukosha kwekuchengetedza rugare ndokubva 8. Pauro akaita sei pakamuka nyaya inokosha yaigona
ati: “Zviri nani kurega kudya nyama kana kukanganisa rugare rweungano?
9. Tingatevedzera sei muenzaniso waPauro?
7. Unodzidzei pazano raPauro riri pana VaRoma 14: 10. Chii chimwe chakaitwa naPauro kuti muungano mu-
19-21? rambe muine rugare?

22 NHARIREYOMURINDI
muine rugare nekutaura zvakanaka zvaiitwa vha. Vamwe vanosekwa nevemumhuri vasi-
nehama nehanzvadzi dzake, kwete zvadzaika- ri Zvapupu kana kuti nevanhu vekubasa ka-
nganisa. Semuenzaniso, paaipedzisa tsamba na vekuchikoro. Vamwe vane matambudziko
yake kuvaRoma, Pauro akataura nezveva- akakura eutano kana kuti zviri kuvaomera ku-
nhu vakawanda nemazita uye kakawanda ka- ti vakanganwe nezvekurwadziswa kwavakai-
cho akawedzera mashoko akanaka kana kuti twa. Vamwe vane makore akawanda vabha-
zvaaiziva nezvevanhu vacho. Tinogona kute- bhatidzwa uye vamirira kwenguva yakareba
vedzera Pauro nekutaura nezvezvinhu zvaka- kuti nyika ino igume. Zvese izvi zvinogo-
naka zvinoitwa nehama nehanzvadzi dzedu. na kuedza kutenda kwevaKristu mazuva ano.
Patinoita izvozvo, tinoita kuti hama neha- VaKristu vekutanga vakasanganawo nemata-
nzvadzi dzedu dzive nechikonzero chekuswe- mbudziko akadaro. Pauro akaitei kuti asimbi-
dera pedyo nemumwe nemumwe, uye izvozvo se hama nehanzvadzi dzake?
13 Pauro akashandisa Magwaro kuti avake
zvinoita kuti ungano ivakwe murudo.
11 Dzimwe nguva, kunyange vaKristu vaka- kutenda kwehama nehanzvadzi dzake. Semu-
kura pakunamata vanogona kusawirirana ka- enzaniso, vaKristu vechiJudha vangangoda-
na kuitisana nharo. Izvi ndizvo zvakaitika ro vaishaya kuti vopindura sei pavaitsoropo-
kuna Pauro neshamwari yake yepedyo Bha- dzwa nevemumhuri vaitaura kuti chiJudha
nabhasi. Varume vaviri ava vakaitisana nha- chakanaka kupfuura chiKristu. VaKristu iva-
ro zvakasimba panyaya yekuenda naMako vo vanofanira kunge vakasimbiswa netsamba
parwendo rwavo rweumishinari rwaitevera. yaPauro yaakanyorera vaHebheru. (VaH. 1:
5, 6; 2:2, 3; 9:24, 25) Vaigona kupindura va-
‘Vakapopotedzana zvikuru,’ uye vakati aziva
nhu vaivapomera vachishandisa zvakataurwa
kwake aziva kwake. (Mab. 15:37-39) Asi Pau-
naPauro. Mazuva ano tinogona kubatsira va-
ro, Bhanabhasi, uye Mako vakavazve neruga-
tinonamata navo kuti vashandise mabhuku
re, zvichiratidza kuti vaikoshesa rugare rweu-
edu pakutsanangura zvavanotenda kune va-
ngano uye kubatana kwayo. Pave paya, Pauro
ya vanenge vachivaseka. Uye kana vechidiki
akataura zvakanaka nezvaBhanabhasi naMa-
vedu vakasekwa nekuti vanotenda kuti zvi-
ko. (1 VaK. 9:6; VaK. 4:10) Isuwo tinofanira
nhu zvakasikwa, tinogona kuvabatsira kuwa-
kugadzirisa zvatingava tisiri kuwirirana ne-
na mashoko mumabhurocha edu anoti, Was
vamwe muungano tobva taramba tichitarisa Life Created? uye The Origin of Life—Five Que-
zvakanaka zvavari kuita. Izvi zvichaita kuti stions Worth Asking kuti varatidze kuti nei va-
muungano muve nerugare nekubatana.—Va- chitenda kuti upenyu hwakasikwa.
Ef. 4:3. 14 Pauro akakurudzira hama nehanzvadzi

PAURO AKASIMBISA KUTENDA dzake kuti dziratidze rudo kuburikidza ne-


KWEHAMA NEHANZVADZI DZAKE kuita “mabasa akanaka.” (VaH. 10:24) Aka-
12Tinovaka hama nehanzvadzi dzedu pati- batsira hama nehanzvadzi dzake nezvaaitau-
nosimbisa kutenda kwadzinoita muna Jeho- ra uyewo nezvaaiita. Semuenzaniso, vaKristu
vaiva muJudhiya pavakapinda munzara,
11. Tingaitei kuti tivezve nerugare nevamwe kana paine
patinenge tapesana? 13. Pauro akabatsira sei vaya vaisekerwa zvavaitenda?
12. Ndeapi mamwe matambudziko ari kusangana neha- 14. Kunyange zvazvo Pauro ainge akabatikana nekupari-
ma nehanzvadzi dzedu? dza nekudzidzisa, zvii zvaaiita?

AUGUST 2022 23
Pauro akavabatsira nekuvaendesera zvinhu
zvekuyamura. (Mab. 11:27-30) Kunyange zva-
zvo Pauro ainge akabatikana nekuparidza uye
kudzidzisa, aigara achitsvaga nzira dzeku-
batsira vaya vaida kubatsirwa nezvinhu zve-
kurarama nazvo. (VaG. 2:10) Nekuita izvo-
zvo, akaita kuti hama nehanzvadzi dzake
dziwedzere kuva nechivimbo chekuti Jeho-
vha aizodzichengeta. Mazuva ano, patinozvi-
pira kushandisa nguva yedu, simba redu, uye
unyanzvi hwedu pakubatsira vanenge vawi-
rwa nenjodzi, tinovakawo kutenda kwehama
nehanzvadzi dzedu. Tinovakawo hama neha-
nzvadzi dzedu patinogara tichipa mari ye-
kutsigira basa remunyika yese. Patinoita izvi
nezvimwewo, tinobatsira hama nehanzvadzi
dzedu kuti dzive nechivimbo chekuti Jehovha
haazombodzisiyi.
15 Pauro haana kurega kubatsira vaya vaiva

nekutenda kwainge kusisina kusimba. Akarati-


dza kuti aiva nehanya navo uye akataura navo
zvine ushamwari uye zvinokurudzira. (VaH.
6:9; 10:39) Semuenzaniso, mutsamba yaaka-
nyorera vaHebheru, aiwanzoshandisa shoko
rekuti “isu,” achiratidza kuti naiyewo aifanira
kushandisa mazano aaipa. (VaH. 2:1, 3) Kufa-
nana naPauro, hatiregi kukurudzira vaya vane
kutenda kunenge kusisina kusimba. Asi tino-
vavaka nekuvaratidza kuti tine hanya navo
zvechokwadi. Patinoita izvi, tinoratidza kuti
tinovada. Mashoko edu anogona kuwedzera
kuvaka vamwe kana tikataura zvine ushamwa-
ri uye zvine unyoro.
16 Pauro akayeuchidza hama nehanzvadzi

dzake nezvemabasa akanaka adzakanga dzai-


ta. (VaH. 10:32-34) Tinogona kuitawo izvo-
Tingavaka sei vamwe sezvakaitwa
nemuapostora Pauro? zvo patinenge tichibatsira muKristu ane ku-
(Ona ndima 13-16) tenda kunenge kusisina kusimba. Tinogona
kumukumbira kuti atiudze kuti akawana sei
15-16. Tinofanira kubata sei vaya vane kutenda kunenge
kusisina kusimba?

24 NHARIREYOMURINDI
chokwadi kana kumukurudzira kuti afunge kurukura navo chokwadi chinokosha cheBha-
nezvenguva dzaainzwa kuti Jehovha ari ku- ibheri, nekuvabatsira nezvinhu zvavanenge
mutsigira. Tinogona kushandisa mukana iwo- vachida, uye nekutsigira vaya vanenge vasisi-
yo kuti timubatsire kuti ave nechokwadi na kutenda kwakasimba.
chekuti Jehovha haana kukanganwa mabasa 18 Vaya vanoita basa rekuvaka zvivakwa zve-

aaiita achiratidza kuti anomuda, uye kuti Je- sangano vanofara uye vanogutsikana. Isuwo
hovha haazombomusiyi mune ramangwana. tinowana mufaro nekugutsikana patinobatsi-
(VaH. 6:10; 13:5, 6) Kukurukura seizvi kuno- ra pakuvaka kutenda kwehama nehanzvadzi
gona kuita kuti hama nehanzvadzi dzedu dzi- dzedu. Kusiyana nezvivakwa zvinozopedzisi-
ve nechido chekuramba dzichishumira Jeho- ra zvaparara, vanhu vatinovaka vanogona ku-
vha. rarama nekusingaperi! Ngativei nechido che-
“RAMBAI MUCHIKURUDZIRANA”
kuramba ‘tichikurudzirana uye tichivakana.’
—1 VaT. 5:11.
17 Sezvo munhu anovaka achiwedzera unya-
nzvi hwake nekufamba kwenguva, isuwo 18. Une chido chekuitei?
tinogona kuwedzera unyanzvi hwedu pakuva-
kana. Tinogona kubatsira vamwe kuti vawa- 

ne simba rekutsungirira matambudziko kana KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO Peji 24: (Ne-


tikavaudza nezvemienzaniso yevamwe va- chepamusoro) Baba vari kuratidza mwanasikana wavo
kuti angashandisa sei mazano ari mumabhuku edu kuti
kambotsungirira. Tinogona kuita kuti muu- akunde muedzo wekupemberera Krisimasi. (Nechepaka-
ngano murambe muine rugare nekutaura zva- ti) Murume nemudzimai vaenda kune imwe nzvimbo mu-
kanaka zvatinoona mune vamwe. Tinogona nyika mavo kunobatsira vaya vawirwa nenjodzi. (Neche-
kuchengetedza rugare kana pamuka chinhu pazasi) Mukuru ashanyira hama isisisina kutenda
kwakasimba. Anoratidza hama yacho mamwe mapiki-
chinogona kurukanganisa, uye tinogona kui-
cha eChikoro Chebasa Reupiyona chavakapinda vese
ta kuti rugare ruvepo zvakare kana tapesana makore adarika. Hama yacho painotarisa mapikicha aya
nevamwe. Uye tinogona kuramba tichivaka inoyeuka nezvenguva inofadza yavakava nayo. Hama ya-
kutenda kwehama nehanzvadzi dzedu neku- cho inotanga kuda kuva nemufaro wayaiva nawo payai-
shumira Jehovha. Nekufamba kwenguva, inodzoka kuu-
17. Unyanzvi hupi hwatinogona kuramba tichiwedzera? ngano.

UNGAITEI KUTI . . .

˛ ubatsire vamwe kuti vatsu- ˛ muungano murambe muine ˛ usimbise vaya vane kutenda
ngirire matambudziko? rugare? kunenge kusisina kusimba?

RWIYO 100
Vagamuchirei Nerudo
NYAYA
YEKUDZIDZA 36

Vanhu vaJehovha
Vanoda Kururama
RWIYO 9
Jehovha Ndiye “Vanofara vaya vane nzara nenyota
Mambo Wedu! yekururama.”—MAT. 5:6.

ZVICHADZIDZWA JOSEFA mwanakomana waJakobho akasangana nemuedzo


Munyika ino yakaipa zva- wakaoma. Mumwe mukadzi akati kwaari: “Rara neni.” Muka-
kaoma kuwana vanhu va- dzi uyu aiva mudzimai watenzi wake, Potifari. Josefa akara-
karurama. Asi mamiriyoni mba kurara naye. Mazuva ano, mumwe munhu anganetseka
evanhu mazuva ano ari ku- kuti, ‘Josefa akarambirei?’ Potifari akanga asipo. Sezvo Jose-
famba munzira yakarura- fa aiva muranda pamba apa, mukadzi uyu aigona kuomesa
ma. Zviri pachena kuti uri upenyu hwake nemhaka yekuramba kwaaiita kurara naye. Ku-
mumwe wavo. Unofamba nyange zvakadaro, Josefa airamba achitsika madziro. Aizvii-
munzira iyoyo nekuti uno- tirei? Akati: “Ndingaitirei chivi chakakura kudaro ndichitadzi-
da Jehovha, uye Jehovha
ra Mwari?”—Gen. 39:7-12.
anoda kururama. Tingaitei
2 Josefa aiziva sei kuti Mwari wake aiona upombwe ‘sechivi
kuti tiwedzere kuda kwati-
noita kururama? Munyaya chakakura’? Mutemo waMozisi, uyo waisanganisira murayiro
ino tichakurukura kuti chii wakajeka wekuti “Usaita upombwe,” wakazonyorwa papera
chinonzi kururama uye kuti makore 200. (Eks. 20:14) Kunyange zvakadaro, Josefa ainya-
upenyu hwedu hunovandu- tsoziva Jehovha zvekuti akasvika pakunzwisisa kuti Jehovha
dzika sei patinoita zvaka- aisada kuti vanhu vaite upombwe. Semuenzaniso, Josefa aizi-
rurama. Tichakurukurawo va kuti Jehovha akaronga kuti wanano ive yemurume mumwe
matanho atingatora kuti ti- chete nemukadzi mumwe chete. Uye angangodaro akanzwa
wedzere kuda kwatinoita kuti kaviri Jehovha akapindira sei achidzivirira ambuya vake
kururama.
Sara pavaida kutorwa nevamwe varume. Mwari akapindirawo
saizvozvo kuti adzivirire Ribheka mudzimai waIsaka. (Gen. 2:
24; 12:14-20; 20:2-7; 26:6-11) Josefa paaifunga nezvenyaya
idzodzo akanzwisisa kuti zvakarurama ndezvipi uye kuti zva-
kaipa ndezvipi mukuona kwaMwari. Sezvo Josefa aida Mwa-
ri, ainge aine chido chakasimba chekuita zvinhu zvaaiziva ku-
ti ndizvo zvinodiwa naJehovha.
1. Josefa akasangana nemuedzo upi, uye akaita sei?
2. Josefa aiziva sei kuti kuita upombwe kwaiva kutadzira Mwari?

26
3 Unoda kururama here? Zviri pachena kuti nga kuona mumwe munhu achibatwa zvisina
unoda. Asi tese tine chivi, uye kana tikasa- kunaka. Uye achiitira kuti ‘anyatsofadza Je-
ngwarira tinogona kukanganiswa nemaonero hovha,’ munhu akarurama anofunga nezve-
anoita nyika nyaya yekururama. (Isa. 5:20; kuti zvisarudzo zvake zvinoonekwa sei naJe-
VaR. 12:2) Saka tichaona kuti chii chinonzi hovha.—VaK. 1:10.
kururama uye kuti tinobatsirwa sei kana tika- 6 Bhaibheri rinotaura nezvaJehovha richi-

ita zvakarurama. Tichabva takurukura mata- ti ndiye Tsime rekururama. Ndosaka achi-
nho matatu atingatora kuti atibatsire kuwe- nzi “nzvimbo inogarwa nekururama.” (Jer.
dzera kuda kwatinoita mirayiro yaJehovha. 50:7) Sezvo ari iye Musiki, Jehovha ndi-
ye chete ane kodzero yekusarudza kuti izvi
CHII CHINONZI KURURAMA?
zvakarurama uye kuti izvi zvakaipa. Jehovha
4 Vamwe vanhu pavanofunga nezvemunhu akakwana, saka maonero aanoita zvakarura-
akarurama, vanofunga nezvemunhu anoda- ma uye zvakaipa anopfuura nekure edu, ayo
da, anotsoropodza vamwe, kana kuti anofu- anowanzokanganiswa nekusakwana kwataka-
nga kuti ari nani pane vamwe. Asi Mwari haa- ita uye nechivi chatiinacho. (Zvir. 14:12; ve-
tombodi unhu hwakadaro. Jesu paaiva panyi- renga Isaya 55:8, 9.) Asi sezvo takasikwa
ka akatsiura zvakasimba vatungamiriri vechi- nemufananidzo waMwari, tinokwanisa kuita
tendero vaidzika mitemo yavo pachavo ye- zvaanoti zvakarurama. (Gen. 1:27) Uye tino-
zvakarurama. (Mup. 7:16; Ruka 16:15) Kuru- da kuita izvozvo. Kuda kwatinoita Baba vedu
rama kwechokwadi kwakasiyana nekure ne- kunoita kuti tiite zvese zvatinogona kuti tiva-
kuzviita akarurama. tevedzere.—VaEf. 5:1.
5 Kururama unhu hwakanaka. Kunoreva ku-
7 Kuteerera mirayiro yaJehovha yezvaano-
ita zvinonzi naJehovha Mwari zvakarurama. ti zvakarurama uye zvakaipa kunotibatsira.
MuBhaibheri, mashoko anotaura ‘nezvekuru- Nei zvakadaro? Fungidzira zvaizoitika kudai
rama’ ane pfungwa yekurarama maererano bhengi rimwe nerimwe raizova nenzira yaro
nemirayiro yakanaka kupfuura mimwe yese, yekusarudza kukosha kwemari. Vanhu vaizo-
kureva mirayiro yaJehovha. Semuenzaniso, vhiringidzika zvisingaiti. Uye kana vanachire-
Jehovha akarayira kuti vatengesi vanofanira mba nemanesi vakatadza kuteerera mitemo
kushandisa ‘dombo rekuyeresa risiri rekubiri- ine chekuita nekurapa, vamwe varwere vano-
dzira.’ (Dheut. 25:15) Shoko rechiHebheru gona kufa. Zviri pachena kuti vanhu vanodzi-
rakashandurwa kuti “risiri rekubiridzira” ri- virirwa kana pakava nenzira inogamuchirika
nogonawo kushandurwa kuti “rakarurama.” yemaitirwo ezvinhu. Saizvozvowo, mirayiro
Saka muKristu anoda kuva akarurama muku- yaMwari yezvaanoti zvakarurama uye zvaka-
ona kwaMwari achafanira kunge akatendese- ipa inotidzivirira.
ka mune zvese zvaanoita panyaya dzebhizine- 8 Jehovha anokomborera vaya vanoedza
si. Munhu anoda kuita zvakarurama anove-
6. Nei Jehovha ari iye chete anokwanisa kutiudza kuti
3. Tichakurukurei munyaya ino? ichi chakarurama uye kuti ichi chakaipa? (Isaya 55:8, 9)
4. Vanhu vakawanda vane maonero api panyaya yekuru- 7. Nei tichida mitemo yatinogona kuvimba nayo? Taura
rama? mienzaniso.
5. Maererano neBhaibheri, chii chinonzi kururama? Tau- 8. Makomborero api achawanikwa nevaya vanoda kuita
ra mienzaniso. zvakarurama?

AUGUST 2022 27
kurarama maererano nemitemo yake. Anovi- hamu aitya kuti “Mutongi wenyika yese” ai-
mbisa kuti: “Vakarurama vachagara nhaka zoparadza vakarurama pamwe chete neva-
yenyika, uye vachagara mairi nekusingape- kaipa. Abrahamu akaona izvozvo zvisingaiti,
ri.” (Pis. 37:29) Chimbofungidzira kubata- saka akabvunza Jehovha zvine ruremekedzo
na, rugare, uye kufara kuchange kwavapo mibvunzo yaitevedzana. Jehovha akamupi-
munhu wese paanenge ava kurarama maere- ndura achiratidza mwoyo murefu. Abrahamu
rano nemitemo yaJehovha. Jehovha anoda akazosvika pakuziva kuti Jehovha anoongo-
kuti uve neupenyu hwakadaro. Tese tine zvi- rora mwoyo yevanhu vese uye kuti haambora-
konzero zvakanaka zvekuti tide zvinhu zvi- ngi vasina mhosva pamwe chete nevane mho-
nonzi naJehovha zvakarurama. Tingaitei ku- sva.—Gen. 18:20-32.
ti tiwedzere kuda kwatinoita kururama? Nga- 11 Abrahamu akabayiwa mwoyo nekukuru-
tikurukurei matanho matatu atinogona ku- kura kwaakaita naJehovha nezvemaguta eSo-
tora. dhomu neGomora. Zviri pachena kuti akasvi-
WEDZERA KUDA KWAUNOITA ka pakuda uye kuremekedza Baba vake kuto-
MIRAYIRO YAJEHOVHA pfuura zvaaimboita. Asi papera makore, ku-
9 Danho rekutanga: Ida Munhu anogadza vimba kwaiita Abrahamu naJehovha kwakae-
mirayiro yacho. Kuti tide kururama, tinofa- dzwa zvakanyanya. Jehovha akamukumbira
nira kuwedzera kuda uya anogadza mirayiro kuti ape mwanakomana wake waaida Isaka se-
yekuti izvi zvakarurama uye izvi zvakaipa. chibayiro. Asi Abrahamu akanga ati wedzerei
Patinowedzera kuda Jehovha tinowedzerawo kuziva Mwari wake, saka panguva ino haa-
kuda kurarama maererano nemirayiro yake na kumubvunza mibvunzo. Abrahamu aka-
yakarurama. Semuenzaniso, dai Adhamu na- bva angogadzirira kuti aite zvaakanga aku-
Evha vaida Jehovha, vangadai vakaramba va- mbirwa naJehovha. Fungidzira kurwadziwa
chimuteerera.—Gen. 3:1-6, 16-19. kwaaiitwa paaigadzirira kuita izvozvo. Abra-
10 Hatitombodi kuita chikanganiso chakai- hamu anofanira kunge akafungisisa zvaaka-
twa naAdhamu naEvha. Tinogona kuita kuti nga adzidza nezvaJehovha. Aiziva kuti Jeho-
izvi zvisaitika kana tikaramba tichidzidza ne- vha haamboiti zvinhu zvisina kururama kana
zvaJehovha, tichida unhu hwake, uye tichie- kuti zvisina rudo. Maererano nezvakataurwa
dza kunzwisisa mafungiro ake. Kana tikada- nemuapostora Pauro, Abrahamu akaziva kuti
ro, kuda kwatinoita Jehovha kunowedzera. Jehovha aizokwanisa kumutsa mwanakoma-
Funga nezvaAbrahamu. Aida Jehovha zve- na wake waaida Isaka. (VaH. 11:17-19) Jeho-
chokwadi. Kunyange pazvaimuomera kunzwi- vha akanga avimbisa kuti Isaka aizova baba
sisa zvainge zvasarudzwa naJehovha, Abra- vevanhu vakawanda, uye panguva iyoyo Isaka
hamu aisaramba kuteerera. Asi aiedza kuwe- akanga asina vana. Abrahamu aida Jehovha,
dzera kuziva Jehovha. Semuenzaniso, paaka- saka aiva nechokwadi chekuti Baba vake vai-
ziva kuti Jehovha akanga asarudza kupara- zoita zvakarurama. Kunyange zvazvo zvainge
dza Sodhomu neGomora, pakutanga Abra- zvakaoma, kutenda kwake kwakaita kuti ate-
erere Jehovha.—Gen. 22:1-12.
9. Chii chichatibatsira kuti tide kururama?
10. Abrahamu akaitei kuti awedzere kunzwisisa mafungi- 11. Abrahamu akaratidza sei kuti aida Jehovha uye kuti
ro Jehovha? aivimba naye?

28 NHARIREYOMURINDI
Kururama kwako kunogona
kuita “semafungu egungwa”
(Ona ndima 16-17)

12 Tingatevedzera sei Abrahamu? Tinofani- nokwanisa. (Pis. 103:14) Anotivimbisa kuti


ra kuramba tichidzidza nezvaJehovha sezva- “anoda uya anotevera kururama.” (Verenga
akaita. Patinodaro, tinowedzera kuswedera Zvirevo 15:9.) Kana tiine chinangwa chati-
pedyo naye uye tinotowedzera kumuda. (Ve- ri kuda kuzadzisa mubasa raJehovha, tino-
renga Pisarema 73:28.) Hana yedu ichadzi- ramba tichishanda nesimba kuti tichizadzi-
dziswa kuti iratidze mafungiro aMwari. (VaH. se. Tinofanirawo kushanda nesimba kuti tii-
5:14) Saka kana mumwe munhu akatiedza ku- te zvakarurama. Uye Jehovha achatibatsira
ti tiite zvinhu zvakaipa tinoramba. Hatizo- nemwoyo murefu kuti tiwedzere kuva vanhu
mbovi nepfungwa yekuita chero chii zvacho vakarurama nekufamba kwenguva.—Pis. 84:
chinorwadzisa Baba vedu kana kuti chinoka- 5, 7.
nganisa ushamwari hwedu navo. Asi chii chi- 14 Jehovha anotiyeuchidza zvine rudo ku-

mwe chatingaita kuti tiratidze kuti tinoda ku- ti kuita zvakarurama hausi mutoro unore-
rurama? ma. (1 Joh. 5:3) Asi kunotidzivirira, uye ti-
13 Danho rechipiri: Zuva rega rega wedzera
noda kudzivirirwa kwakadaro zuva nezuva.
kuda kwaunoita kururama. Kana tichida kuti Yeuka zvipfeko zvemurwi zvakatsanangurwa
mhasuru iwedzere kusimba, tinogara tichii- nemuapostora Pauro. (VaEf. 6:14-18) Chi-
ta maekisesaizi. Tinofanirawo kushanda nesi- pfeko chipi chaidzivirira mwoyo wemuso-
mba kuti tiwedzere kuda mirayiro yaJeho- ja? Chaiva “chinhu chinovharidzira chipfu-
vha yakarurama. Izvi zvinhu zvatinogona ku- va, chekururama,” icho chinomiririra mi-
ita zuva rega rega. Jehovha anonzwisisa, uye rayiro yaJehovha yakarurama. Sezvo chi-
haambotarisiri kuti tiite zvinopfuura zvati- nhu chinovharidzira chipfuva chichidzivirira
12. Tingatevedzera sei Abrahamu? (Pisarema 73:28) 14. “Chinhu chinovharidzira chipfuva, chekururama” chii,
13. Tingaitei kuti titevere kururama? (Zvirevo 15:9) uye nei tichifanira kuva nacho?

AUGUST 2022 29
mwoyo wemunhu, mirayiro yaJehovha ya- zvemakore achiuya pamahombekombe ipapo
karurama inogona kudzivirira mwoyo wako uye acharamba achingodaro.
wekufananidzira, kureva zvauri nechemuka- 17 Kururama kwako kunogona kuita semafu-

ti. Ndosaka zvichikosha kuti pazvipfeko zva- ngu egungwa. Izvozvo zvingaitika sei? Kana
ko zvemurwi pange paine chinhu chinovhari- uchida kuita chisarudzo, tanga wafunga kuti
dzira chipfuva, chekururama!—Zvir. 4:23. Jehovha anoda kuti uitei. Chibva waita zvino-
15 Ungaitei kuti upfeke chinhu chinovhari- enderana nekuda kwaJehovha. Pasinei neku-
dzira chipfuva, chekururama? Unogona kuita oma kwakaita chisarudzo chacho, Baba vako
izvozvo nekufunga mirayiro yaMwari pauno- vane rudo vacharamba vachikupa simba uye
ita zvisarudzo zuva rimwe nerimwe. Pakusa- vachikubatsira kuti urambe uchiita zvakaru-
rudza zvekutaura nezvazvo, mimhanzi yeku- rama zuva rimwe nerimwe.—Isa. 40:29-31.
teerera, varaidzo yekuona, kana kuti mabhu- 18 Danho rechitatu: Siyira Jehovha basa re-

ku ekuverenga, tanga wazvibvunza kuti: ‘Chii kutonga. Kunyange zvazvo tichishanda nesi-
chandinenge ndichidyisa mwoyo wangu? Zvi- mba kuti tirarame maererano nemirayiro ya-
nhu zvacho zvinobvumirwa naJehovha here? Jehovha yakarurama, hatifaniri kutonga va-
Kana kuti hazvikurudziri here zvinhu zvinoo- mwe uye kuzviita vakarurama. Pane kuti tita-
nekwa naJehovha sezvisina kururama zvaka- risire vamwe pasi sekunge kuti tine kodzero
dai seunzenza, kurwisana, makaro, uye kui- yekuvatonga maererano nemaonero edu, ti-
ta zvinhu zvakangondinakira?’ (VaF. 4:8) Ka- noramba tichiyeuka kuti Jehovha ndiye “Mu-
na zvisarudzo zvaunoita zvichiwirirana neku- tongi wenyika yese.” (Gen. 18:25) Jehovha
da kwaJehovha, unenge uchibvumira mirayi- haana kutipa basa rekutonga vamwe saizvo-
ro yake yakarurama kuti ichengetedze mwoyo zvo. Jesu anototirayira kuti: “Regai kutonga
wako. kuti murege kutongwawo.”—Mat. 7:1.1
16 Unombonetseka here kuti uchakwanisa 19 Ngationei zvakare muenzaniso wemuru-

kuramba uchirarama maererano nemirayiro me akarurama Josefa. Haana kutonga va-


yaJehovha yakarurama kweupenyu hwese? mwe, kunyange vaya vakamubata zvisina ku-
Funga nezvemuenzaniso wakashandiswa na- naka. Vakoma vake vakamurwisa, vakamute-
Jehovha uri pana Isaya 48:18. (Verenga.) ngesa muuranda, uye vakaita kuti baba va-
Jehovha anovimbisa kuti kururama kwedu vo vabvume kuti Josefa akanga afa. Papera
kunogona kuita “semafungu egungwa.” Fu- makore, Josefa akazoonana zvakare nemhuri
ngidzira wakamira pamahombekombe egu- yake. Sezvo akanga ava mutungamiriri wenyi-
ngwa rakakura, uchiona mafungu achingora-
1 Dzimwe nguva vakuru vemuungano vanofanira kutonga nyaya
mba achiuya kwauri achitevedzana. Paune- dzine chekuita nezvivi zvakakura uye kuona kuti mutadzi apfi-
nge uchiona mafungu iwayo, unganetseka he- dza here. (1 VaK. 5:11; 6:5; Jak. 5:14, 15) Asi vachizvininipisa
re kuti rimwe zuva achangoerekana amira? vanoramba vachiyeuka kuti havakwanisi kuziva zviri mumwoyo
uye kuti vari kutongera Jehovha. (Enzanisa na2 Makoronike
Aiwa. Unoziva kuti mafungu iwayo ane zviuru 19:6.) Vanoita zvisarudzo vachizvitorera pamatongero aMwari
anoratidza kunzwisisa, ane ngoni uye akarurama.
15. Ungaitei kuti upfeke chinhu chinovharidzira chipfuva,
chekururama? 18. Nei tisingafaniri kutonga vamwe tichishandisa mao-
16-17. Isaya 48:18 inotibatsira sei kuti tive nechokwadi nero edu?
chekuti tinokwanisa kurarama maererano nemirayiro ya- 19. Josefa akaratidza sei kuti aivimba nematongero aJe-
Jehovha nekusingaperi? hovha?

30 NHARIREYOMURINDI
ka ane simba, Josefa aigona kunge akatonga 21 Izvi zvinorevawo kuti hatifaniri kutonga
vakoma vake zvisina kunaka, otsvaga kuvatsi- vaya vatisinganamati navo. (1 Tim. 2:3, 4)
va. Vakoma vaJosefa vaitya kuti angaita izvo- Ungatonga here hama yako isiri Chapupu
zvo, kunyange zvazvo vaidemba zvavakanga uchiti, “Uya uya haafi akauya muchokwadi”?
vaita. Asi Josefa akavaudza kuti: “Musatya. Aiwa, ikoko kunenge kuri kuzvikudza uye ku-
Ndini Mwari here kuti ndikutongei?” (Gen. zviita akarurama. Jehovha achiri kupa “va-
37:18-20, 27, 28, 31-35; 50:15-21) Achizvini- nhu vese kwese kwese” mukana wekuti vapfi-
nipisa, Josefa akasiyira Jehovha nyaya yacho dze. (Mab. 17:30) Gara uchiyeuka kuti kuzvi-
kuti aitonge. ita munhu akarurama kutori kusarurama.
20 Sezvakaitwa naJosefa, tinosiyira nyaya 22 Kuda kwatinoita zvinonzi naJehovha

yekutonga kuna Jehovha. Semuenzaniso, ha- zvakarurama kuchaita kuti tifare uye ku-
tizvioni setinoziva zvinhu zvinoita kuti hama chatibatsira kuti tive muenzaniso wakana-
nehanzvadzi dzedu dziite zvadzinoita. Hati- ka kune vamwe, uye zvichavabatsira kuti va-
kwanisi kuziva zviri mumwoyo; ‘Jehovha che- swedere pedyo nesu naMwari wedu. Ngati-
te ndiye anoongorora vavariro dzemunhu.’ rambei tiine “nzara nenyota yekururama.”
(Zvir. 16:2) Anoda vanhu vese pasinei ne- (Mat. 5:6) Ziva kuti Jehovha anofadzwa ne-
kwavanobva uye tsika dzavo. Uye Jehovha we paunoita zvese zvaunogona kuti uite zva-
anotikurudzira kuti ‘tizarure mwoyo yedu.’ karurama. Vanhu vari munyika vari kuwe-
(2 VaK. 6:13) Tinotsvaga nzira dzekuda hama dzera kuva vanhu vasina kururama. Asi nya-
nehanzvadzi dzedu dzese, kwete kudzitonga. radzwa nekuziva kuti “Jehovha anoda vaka-
rurama.”—Pis. 146:8.
20-21. Chii chingatibatsira kuti tisazviita vanhu vakaru-
rama? 22. Nei watsunga kuramba uchida kururama?

UNGAPINDURA SEI?

˛ Chii chinonzi kururama? ˛ Tinobatsirwa sei nekusha- ˛ Tingawedzera sei kuda kwa-
ndisa zvinonzi naJehovha tinoita zvinotaurwa naJeho-
ndizvo zvakarurama? vha panyaya yekururama?

RWIYO 139
Zvione Uripo Zvese Zvava Zvitsva
34567 August 2022  Vol. 143, No. 9 SHONA
NYAYA DZIRI PAJW LIBRARY UYE
PAJW.ORG

ZVIRI MUMAGAZINI INO ZVAKAITIKA KUZVAPUPU ZVAJEHOVHA



Takasarudza Kurarama Upenyu
Nyaya Yekudzidza 32: October 3-9 2 Husina Twakawanda-wanda
´
Vechidiki—Rambai Muchifambira Mberi Madian naMarcela vakaona kuti kungotenga
Pashure Pekubhabhatidzwa tenga zvinhu uye kuva nechikwereti chakaku-
ra kwaiita kuti vawedzere kunetseka muupe-

nyu hwavo, asi kudzidzisa vanhu nezvaMwari
Nyaya Yekudzidza 33: October 10-16 8 kwakaita kuti vave nemufaro wechokwadi.
Jehovha Anochengetedza Vanhu Vake
 DZIMWE NYAYA
Nyaya Yekudzidza 34: October 17-23 14 Kusagadzikana Kwemamiriro
‘Rambai Muchifamba Muchokwadi’ Ekunze—Bhaibheri Rinogona
Kukubatsira Here?

Bhaibheri rine mazano anogona kukubatsira
Nyaya Yekudzidza 35: October 24-30 20 njodzi isati yaitika, painenge ichiitika uye
Rambai “Muchivakana” kana yapera.



Nyaya Yekudzidza 36: October 31–November 6 26 MAZANO EKUBATSIRA MHURI


Vanhu vaJehovha Vanoda Kururama Vabereki Vanofanira Kuzivei
Nezvekuendesa Vana Kukireshi?
Vasati vasarudza kuendesa mwana wavo ku-
kireshi, vabereki vanofanira kutanga vanya-
tsoongorora zvazvakanakira uye zvazvakaipi-
ra. Mibvunzo iri munyaya ino inogona
kukubatsira kuti usarudze zvakanyanya
kunakira mwana wako.

MUFANANIDZO URI PAKAVHA: Kuti abatsire


Jobho kuva nechokwadi chekuti Jehovha
anomuda, Jehovha akataura naye nezvenzira
dzakawanda dzairatidza kuti ane hanya
Magazini ino haitengeswi. Ndeimwe yemabhuku anoshandiswa nezvinhu zvaakasika (Ona nyaya yekudzidza 33,
pabasa rekudzidzisa Bhaibheri munyika yese uye basa iri ndima 10)
rinotsigirwa nezvipo.
Magwaro anobva muBhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva, kunze Enda pawebsite yedu inonzi jw.org,
kwekunge pataurwa kuti pane pamwe paatorwa. kana kuti shandisa QR code iyi

s
The Watchtower (ISSN 0043-1087) August 2022 is published by Watch-
tower Bible and Tract Society of New York, Inc.; Harold L. Corkern, Pres-
ident; Mark L. Questell, Secretary-Treasurer; 1000 Red Mills Road, Wallkill,
w22.08-CA

NY 12589-3299, and printed by Watch Tower Bible and Tract Society of South
220405

Africa NPC, 1 Robert Broom Drive East, Rangeview, Krugersdorp, 1739.


˘ 2022 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania. Printed in
South Africa.

You might also like