You are on page 1of 19

BHUKU RECHITA

CHEMWOYO MUSANDE KWAZVO

WAYESU

0
ZVIKAMU ZVIRI MUBHUKU

1 Tsanangudzo yeChita 2
2 Vavariro 2
3 Nhorondo yeChita 2
4 Zvinangwa zveChita 4
5 Nzira dzekuzadzisa zvinangwa zveChita 4
6 Zvipo zvinobva mukuzvipira kuMwoyo Musande Kwazvo waYesu 5
7 Zvitsidzo zvaYesu kune vanozvipira kuMwoyo Musande Kwazvo waYesu 5
8 Mitemo yeChita (hofisi) 5
9 Mimwe minamato panguva dzakasiyana siyana 9
10 Mazuva makuru eChita 10
11 Rumbo kuMwoyo Musande Kwazvo waYesu 10
12 Rusariro 10
13 Rusariro rwemarwadzo manomwe aMai Maria 11
14 Rusariro rweTsitsi dzaMwari (Divine Mercy) 11
15 Rusariro rweMwoyo Musande kwazvo waYesu 12
16 Novena kuMwoyo Musande kwazvo waYesu 12
17 Ritani kuzita sande raYesu 13
18 Ritani kuropa rakakosha rayesu 14
19 Maitiro ekugamuchira vanhu munhanho yekutanga youyedzwa 15
20 Maitiro ekugamuchira vayedzwa munhanho yechipiri youyedzwa 16
21 Maitiro ekugamuchira vayedzwa kuva nhengo dzizere dzeChita 17

1
NHUNGAMIDZO YECHITA CHEMWOYO MUSANDE KWAZVO WAYESU
Hurongwa hwakarongeka, hune utungamiri hwechita, hwekufambisa basa rekuparidzira kuzvipira kuMwoyo
Musande Kwazvo waYesu muZimbabwe hwakatanga muArchdiocese ye Harare mugore ra1966. Izvi zvisati
zvaitika vatenderi vaizvipira zvavo vachitungamirirwa nanaBaba vezvomweya mumaMission asi pakanga
pasina hurongwa hwechita.
Chita chakazopararira munzvimbo dzakawanda muZimbabwe kazhinji chichiendeswa nevatenderi, nhengo
dzechita, dzaibva muArchdiocese yeHarare. Zvifundiso kana kuti hurongwa hwekufambisa basa rechita
zvaitorwa muzvinyorwa zvakanga zvagadzirwa muArchdiocese yeHarare.
Bhuku rino rakarongwa rinechinangwa chekupa ruzivo nezvemafambisiro ekuzvipira kuMwoyo Musande
Kwazvo waYesu. Bhuku iri richashanda richibatsirana nezvifundiso zvinorongwa naanaBishop muDiocese
rimwe nerimwe.

CHITA CHEMWOYO MUSANDE WAYESU KRISTO


1 Tsanangudzo yeChita

1.1 Chita cheMwoyo Musande kwazvo waYesu chita chinobatanidza vatenderi veKatorike kuti
vaparidzire umambo hwaMwari pasi pose. Vatenderi vanoita izvi neminamato yavo mazuva ose,
mabasa, nemifaro nematambudziko avo vachisimbaradzwa noMwoyo Musande waYesu.
1.2 Chita ichi chinobatsira chaizvo kuti vanhu vanamate kuMwoyo Musande waYesu. Mwoyo
Musande waYesu wakamirira Yesu Kristo pachake anotida.
1.3 Mwoyo waYesu Choto chinotsva nerudo kuna vanhu vose

2 Vavariro

Kudzorera rudo rwatakaratidzwa naYesu Kristo paakatifira pachipiyaniso, mwoyo wake ukabaiwa
nepfumo, kubhurikidza nokuitira vamwe (Mwoyo waYesu, choto chinotswa nechido).

3 Nhoroondo yeChita

Chita cheMwoyo Musande Kwazvo waYesu chakatangwa naivo Mambo Yesu Kristo pachavo
mushure mekuzviratidza kune vapikiri vakasiyana vanosanganisira St. Lutgarde (1182-1246)
kuBelgium, St. Gertrude the Great (1256-1301) kuGermany, St. Mechtilde (1240-1298) kuGermany,
St. Catherine (1347-1380) kuSiena na St. Margaret Mary Alacoque (1647-1690) kuFrance. Vapikiri
ava vose vaigaronamata nekupfugamira Sakaramende Sande kwenguva refu, inova ndiyo nguva
yaizviratidza Mambo Yesu kwavari, asi Mambo Yesu vakapa basa guru rekuvamba chita
kunaMargaret Mary.
Mambo Yesu Kristo vakazviratidza kuna Margaret Mary Alocoque wechita chemaVisitation Order
kakawanda:
Mukuzviratidza uku, Mambo Yesu vaida kuti Margaret Mary avambe chita achitevedzera zvose
zvavaimutaurira zvemafambisirwo echita. Margaret Mary akanyora zvose, ndokuudza vakuru vake.
Kunyangwe zvazvo vakuru ava vakamboramba kutambira zvaitaurwa naMargaret Mary, vakazobvuma
ndokubva vatanga kushanda pamwe chete naye kuronga nekuparidza nezvechita kunzvimbo
dzakasiyana-siyana.
Vamwe vevakabatsira kusimudzira chita nguva iyoyo vaive vana Musande John Eudes,
Mukomborerwi Claude De –La Colombiere Muzvarwa Jane de Chantal na Bishop Francis De Sales
Musande John Eudes aishanda saChief Promotor ndicho chikonzero boka rechita cheMwoyo Musande
chiine chigaro cha Chief Promoter chisingawanikwe mune zvimwe zvita. Chita chinofanira zvakare
kuva naSpiritual Director ari baba vezvomweya anotungamirira munezvomweya (spiritual guidance).
Zvakatora makore mazana maviri zvinyorwa zvaMargaret Mary zvichiongororwa neKirike. Chita
cheMwoyo Musande Kwazvo waYesu chakazonyatsopfumbira mugore ra 1843, apo pakazobviswa
muzinda wacho kubva muFrance uchiendeswa muguta reRome umo chita chakanga chatovemo
2
nechekare chaizivikanwa nezita rokuti Roman Arch Sodality of the Sacred Heart kunove ndiko kwauri
nanhasiuno chichitungamirirwa navana baba vezvomweya vechita chema Yesuits (Society of Yesus).

Margaret Mary Alacoque akaberekwa musi wa 22 July mugore ra 1647 munyika ye France. Margaret
Mary akasarudza kupikira huSister paVisitation Convent kuParay mugore ra 1671 akapedza muna
1672.
Margaret Mary aigara achinamata achipfugamira Sakaramende Sande zvekutopedza kana
maawa(hour) gumi nemaviri (12).
Panguva idzodzo dzekunamata ndipo pakazviratidza Mambo Yesu kwaari:
- Kuzviratidza kwekutanga kwakaititka musi wa 27 December 1673 paFeast yaSt John.
Pakuzviratidza uku Mambo Yesu vakati kuna Margret Mary, “Mwoyo wangu unotsva nechido
chakaperera kuvanhu vose kunyanya kwauri. Ndinodururira rudo urwu nemauri kuti vawane
hupfumi nezvikomborero zvinoshaikwa muhupenyu nekukunda miyedzo. Ndakusarudza kubva
muruzhinji usingazive kana kukodzera, kuitira kuti chinangwa changu chive chinozadzikiswa
munazvose, neni ndoga”.
- Kuzviratidza kwechipiri kwakaititika mumwedzi yekutanga yegore ra1674. Pakuzviratidza uku
Margaret Mary akaona chifananidzo chemwoyo wakapoteredzwa nendaza yeminzwa
nechipiyaniso chakamiswa pamusoro pawo, uri pachigadziko cherimi remoto waipenya sezuva.
Mambo Yesu vakati kwaari “Paridzira kuti vanhu vandizive vave nerudo, varipire matadzo
evamwe neemweya irimupurigatoriyo. Vanhu ngavaparidze ushe hwaMwari pasi pose kuti
vagoponeswa. Itayi Pfugamiro nokugamuchira Sakaramende reYukaristiya Sande pachishanu
chokutanga chomwedzi woga woga”. Mambo Yesu vakabva vaudza Margret Mary zvitsidzo
kune avo vanotendera kuMwoyo Musande Kwazvo waYesu. Zvitsidzo izvi zvakawanda asi
kune gumi nezviviri zvinotaurwa nezvazvo.
- Kuzviratidza kukuru kwechitatu kwakaititika mukutanga kwemwedzi waChikumi mugore
ra1674. Margaret Mary zvaakanga akapfugamira Sakaramende Sande iro rakanga rakaiswa
pachena, akaona maronda mashanu, rimwe nerimwe richipenya sezuva. Mambo Yesu vakati
kwaari, “Ndinorwadziwa kwazvo kupinda zvose nekutambudzika kwandaita kana mukasadzorera
rudo irworwo nepamunokwanisa napo, ndingade kana zvichigoneka kutambudzika zvinopfuura
zvandakamboita pekutanga”.
- Kuzviratidza kukuru kwekupedzisira kwakaititika pakati pomwedzi waChikumi mugore ra1675
apo Margaret Mary akanga achipfugamira Sakaramende Sande senguva dzose. Mambo Yesu
vakati, “Chegetai Chishanu chokutanga mushure mezuva reMuviri neRopa rangu (Octave of
Corpus Christi) muchipemberera nokuremekedza Mwoyo wangu (Sacred Heart Feast),
muchitambira Komunione Sande pazuva iroro, muchikumbira ruregerero kumwoyo wangu,
kushorwa kwawakaitwa, kubvira nguva yawakaiswa pachena paAtari”.

Margaret Mary akarwara kwemakore akati kuti ndokuzofa musi wa17 October 1690. Zvinyorwa zvake
zvakaongororwa chaizvo kusvikira zvagamuchirwa neKirike. Pope Pius IX vakazobvumira kuti zuva
reMwoyo Musande Kwazvo waYesu ripembererwe pasi rose muna 1856. Margaret Mary akazoitwa
Musande mugore ra1920. Zuva guru raMargaret Mary rinopembererwa nevatenderi vose musi wa16
October gore roga roga.

MuZimbabwe chita ichi chakauya nema Jesuit Priests. Pakutanga chaive chita chavapikiri chete.
Chakatangira mumaMission Schools. Mafata echiJesuit ndiwo akatanga kudzidzisa vanhu kuti
vazvipire KuMwoyo Musande kwazo waYesu. Vamwe vakapinda muchita ichi pamaMission School
ndibaba Pius Dhizara. Vakatambirwa muchita ichi mugore ra 1954 kuSt Benedict kwaRusape. Vanoti
mumwe Sisista anonzi Sr Pio ndiyemumwe wevaikurudzira vanhu kuzvipira kuMwoyo Musande
Kwazvo waYesu.
Vazouya muHarare (Salisbury) vakagara kuKambuzuma. KuKambuzuma uku ndiko
kwavakazovamba chita ichi vachibatsirana nababa Mwanza, Baba Nyagomo naBaba Mrewa mugore
ra1967. Nhengo dzekutanga dzakatambirwa kuKambuzuma musiwa 25 October 1967. Boka
revatungimiri ravo raiva rakamira sezvizvi:

3
Sachigaro : Baba Ambrose Mrewa
Mutevedzeri wa Sachigaro : Baba Mutambirwa
Samunyori : Baba Stanslyay Nyagomo
Chief Promoter : Baba Dhizara
Committe Member : Mai Kwedza
Chita ichi chakazovewo paSacred Heart Cathedral Parish muguta reHarare (Salisbury)
chichitungamirirwa naMai Kwedza mugore ra1966, Baba vezvomweya vari Fr. Mangan.
Vakazokumbira kuti vekuKambuzuma vabatane nevekuSacred Heart Cathedral. Vakakumbira
kunaArchibishop Markall kuti chita chibvumirwe kushanda muArchdiocese yeHarare (Salisbury)
vakaumba dare re TopBoard. Dare rakanga rakamira sezvizvi:
Sachigaro : Baba Tapera
Mutevedzeri wa Sachigaro : Baba Mandiwanzira
Samunyori : Baba Mwanza
Chief Promoter : Baba Dhizara
Committe Member : Mai Kwedza
Vakazokurudzira chita ichi kunemamwe maparishes vachibatsirwa nemaPriste akaita sanaFr Nyanhete,
Fr Mangan naFr Kanhongwa. Vakazoumba bumbiro remutemo rechita. Fr Kanhongwa ndivo
vakatanga kuita Spiritual Director wechita wekutanga. Chita chakazopararira muma-Diocese mazhinji
emuZimbabwe.
Mugore ra2006 mushure mokunge zvaoonekwa kuti chita chava mumaDiocese mazhinji
muZimbabwe, Sekuru Patrick Mutume vakapa zano kudare reArchdiocese of Harare raitungamirirwa
naMr Wilbroad Tsuro kuti vabatanidze kufambiswa kwechita mumaDiocese ose (National Council
yeMwoyo Musande Kwazvo waYesu) zvinova zvakatambirwa. Dare rokutanga (Interim Committee)
rakaumbwa muguta reGweru richitungamirirwa naMai Kuni Munyaka .musi va 31 march 2007.
National Congress yokutanga yakaitirwa muHarare kubva musi wa 10 kusvikira 12 Chikumi mugore
ra2012.

4. Zvinangwa zveChita
4.1 Kupa rukudzo norutendo kuna Yesu kana tichinamata kune Mwoyo wake Musande
4.2 Kuedza kudzorera rudo rwatakaratidzwa naYesu Kristo zvaakatifira pachipiyaniso, mwoyo wake
ukabaiwa nepfumo.
4.3 Kuparidzira umambo hwaMwari
4.4 Kuripira matadzo edu neevanhu vose, zvikuru mweya iri mupurigatorio

5 Nzira dzekuzadzisa nadzo zvinangwa zveChita


5.1 Kupira zuva roga roga kuna Mwari nokuita chinamato chemangwanani “Yesu nokuno Mwoyo
usine mhaka waMariya”.
5.2 Kunzwa Misa nokugamuchira Komunioni Sande kazhinji-zhinji, zvikuru Misa yokuripira
paChishanu chokutanga chomwedzi woga woga.Tinokurudzirwa zvakare kupinda misa
chitanhatu chekutanga chomwedzi (1st Saturday) woga woga tichiremekedza mwoyo usina
mhaka waMaria
5.3 Kuzvipira zuva roga roga kuna Mariya Musande kuratidza kuvaremekedza; uye tinokurudzirwa
kuita rusariro zuva roga roga.
5.4 Kuremekedza (veneration) Mwoyo Musande Kwazvo waYesu nguva dzose, kuburikidza
nekuturika mufananidzo weMwoyo Musande waYesu mudzimba kana pose paunogona
kuturikwa, sechiratidzo cherudo rwaYesu kuvanhu vose.
5.5 Kukurudzira vamwe kuti vanamate kuMwoyo Musande Kwazvo waYesu
5.6 Kuita runyararo (at least) kamwe chete pagore.
5.7 Kuita pfugamiro (Holy Hour) chiri chinangwa chekuwana nguva yekutaura naMambo Yesu
nekunamata. Svinurai Munamate kuti murege kupinda mukuedzwa.
5.8 Kuremekedza nekucherechedza mazuva makuru eChita.
5.9 Kuita mabasa etsitsi senzira yekuva nechitendero chine mabasa

4
6 Zvipo zvinobva mukuzvipira kuMwoyo Musande kwazvo waYesu
Iwe navamwe unowana rubatsiro rukuru:
6.1 Mambo anoti “Mazita avanhu vanobatsira chiito ichi chokuMwoyo Musande Kwazvo waYesu
achanyorwa muMwoyo mangu haachazodzimwa” (11th Promise).
6.2 Unogona kuwana chiregerero chizere zuva roga roga kana uchipira Mwari mabasa ako amaoko
neepfungwa mangwanani oga oga.{kana ukaita zvinodiwa kuti munhu awane chiregerero
chizere}.
6.3 Unogona zvakare kuwana zviregerero zvizere
6.3.1 Musi waunogamuchirwa muChita.
6.3.2 Chishanu chokutanga chomwedzi woga woga ne Chitanhatu chokutanga chomwedzi
6.3.3 Musi wokufa kwako
6.3.4 Musi unopirwa mhuri yose kuMwoyo Musande Kwazvo waYesu

7 Zvitsidzo zvaYesu kune avo vanonamata kuMwoyo Musande kwazvo waYesu


7.1 Ndichavapa magirasiya ose anoshaiwa mumagariro avo
7.2 Ndichavapa kugarika nemhuri dzavo
7.3 Ndichavanyaradza kana vachisuruvara
7.4 Ndichavachengeta vari vapenyu asi zvikuru kana vave kufa
7.5 Zvose zvavachaita ndichavabatsira nezvikomborero zvizhinji
7.6 Vatadzi vachaona muMwoyo mangu tsime remvura huru yengoni
7.7 Mweya yakatonhora, ichazotsvira kuitira Mwari
7.8 Mweya yakanaka ichakurumidza kuwanzodisa Mwari
7.9 Ndichakomborera dzimba munochengetwa nokuimbirwa chifananidzo cheMwoyo wangu
7.10 Ndichapa vaPriste simba rokupindura mwoyo mikukutu kwazvo
7.11 Mazita avanhu vose vanobatsira chikumbiro ichi achanyorwa mumwoyo mangu,
haachazodzimwa.
7.12 Mwoyo wangu uchanyanya kuita tsitsi. Ndinopika kuti vose vanogamuchira Kominione Sande
Chishanu chechiposhi chomwedzi mipfumbamwe inoteverana, vachapiwa girasiya rokufa
nomwoyo unorwarira matadzo. Havazofa vasina kugamuchira maSakaramende, vachachengetwa
muMwoyo mangu musi uyo wemhedziso.

8 Minamato yeChita (hofisi)

8.1 Baba vedu muri kudenga, zita renyu ngarinamatwe, umambo hwenyu ngausvike, kuda kwenyu
ngakuitwe, pasi sokudenga. Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva, mutiregererewo
avatakakutadzirai, sokuregerera kwatinoita vakatitadzira, musatirega tichiwira mune
zvinotiedza, asi mutinunure kune zvakaipa. Amen.

8.2 Mwari baba ndinokupfugamirai kunyangwe zvangu ndisiri chinhu pamberi poukuru hwenyu.
Kunyangwe zvangu ndisingakodzeri ndinokukudzai. Ndinokudai pamwe chete
noMwanakomana wenyu Yesu Kristo. Ndinoisa mweya wangu nezviito zvangu zvose
mumaoko enyu kuti ndizviite sokuda kwenyu. Mwari Baba, ndinotarisira kwamuri, ndinovimba
nemi, ndinokushuvai, ndinokutendai. Amen.

8.3 Mweya waKristo


Mweya waKristo ndisandiseiwo. Muviri waKristo ndiponeseiwo. Ropa raKristo
ndigutiseiwo. Mvura inobva parutivi rwaKristo ndicheneseiwo. Kurwadziwa kwaKristo
ndisimbiseiwo. Yesu makanaka ndidavireiwo. Mumaronda enyu ndivanzeiwo. Regai
kubvuma kuti ndiparandzane nemi. Kumuvengi wakaipa ndidzivirireiwo. Pamusi wokufa
kwangu ndishevedzeiwo. Ndidaneiwo ndiuye kwamuri. Kuti ndikuimbireiwo navasarudzwi
venyu. Misi isingaperi. Amen

5
8.4 Munamato kunaYesu Kristo paChipiyaniso
Onai, Yesu makanakisa, makapfavisa, ndapfugama namabvi panyasi penyu. Ndinokutetererai
nomwoyo wangu wose kuti mundipe chitendero nechitarisiro nechido chakadzika. Itai kuti
ndipfidze matadzo angu nomwoyo wangu wose, nokundisimbaradza kuti ndigare upenyu
hwakanaka. Kana ndichitarisa nokurangarira maronda enyu mashanu, nokufungazve manzwi
akamborehwa naDavida muprofita okuti”Vakaboora maoko angu netsoka dzangu, vakaverenga
mapfupa angu ose”, ndinorwadziwa mwoyo kwazvo.
Baba vedu…….. Kwaziwayi Maria………… Vakudziwe Baba………………..

8.5 Mambo Yesu Kristo, ndinokupai maoko angu kuti aite basa renyu. Ndinokupai makumbo angu
kuti afambe munzira dzenyu. Ndinokupai meso angu kuti ndione sokuona kwamunoita imi.
Ndinokupai rurimi rwangu kuti rutaure manzwi enyu. Ndinokupai pfungwa dzangu kuti mufunge
panzvimbo pangu. Ndinokupai mweya wangu kuti munamate muri mandiri. Pamusoro pazvose
ndinokupai mwoyo wangu kuti mude namandiri Baba venyu navanhu vose. Ndinozvipa kwamuri
kuti muve Mambo wangu, anogara nokusevenza nokumanata nomuneni. Amen

8.6 Yesu wangu wadiwa, ndidzidziseiwo kuita mwoyochena, nokuva muranda wenyu chaiye, kuti
ndizvipire kunemi, nyangwe zvakaoma sei; ndirwire chitendero changu, ndisingaty marwadzo
angandiwire; ndibate basa renyu, ndisingatsvagi kuzorodzwa; ndikusevenzerei, ndisingakumbiri
mubayiro kusiya izvi chete zvokuti ndiri kuita kuda kwenyu kusande, Mambo wangu naMwari
wangu. Amen(Munamato waFrancis Xavier Musande)

8.7 Kuzvipira kuMwoyo Musande kwazvo vaYesu (Musi weChishanu chechiposhi chomwedzi
uye musi waunogamuchirwa kuva nhengo izere yeChita uye pose panosangana nhengo
dzechita dzichiita musangano)
Yesu makanakisa, tsime rechido. Baba vetsitsi, Mwari munyaradzi wavanhu vose/, imi
makatiratidza isu vatadzi upfumi hwomwoyo wenyu/, isu tose tinokutendai zvose zvamakatipa.
Tinotenda kwazvo kudzika kwamakatiitira Sakaramende Sande reatari/, muSakaramende iro
rechido/. Mwoyo wenyu wakanakisa wakaitwa mutematema/, nokutadza kwavanhu vose.
Zvino isu tinoda kuripira mhosva idzo dzose/, tinozvipira kuMwoyo wenyu Musande/, isu
nazvose zvatiinazvo/. Tinopira kunemi mabasa edu ose akanaka /, atakaita, atinozoita/,
tichibatsirwa negirasiya renyu/, tinozokurudzira vamwe/ kuti vanamate Mwoyo wenyu
Musande/. Zvino tinokumbira kuti mugamuchire kuzvipira kwedu uku/, kwataita kuti
tikufadzei. /, Zvino zvamuri imi matipa girasiya rokuzvipira kwamuri/, chitipaiwo simba
rokuita zvose zvatakutsidzirai. Amen

Kana Kuti
Yesu makanakisa muponesi wavanhu vose, ringirai kwatiri, tapfugama, tazviwisira pasi
peatari yenyu nomwoyo inokotama. Tiri venyu, tinoda kuti tive venyu. Nhasi tinozviteurira
mumwe nomumwe kuMwoyo wenyu Musande kwazvo, kuti tisanganiswe nemi zvikuru. Amen

8.8 Mwoyo waYesu waMwari


Mwoyo waYesu waMwari, pindurai vatadzi,nunurai vanofa, buritsai mweya iri
mupurigatoriyo. Yesu makanakisa ndidavireiwo. Kwaziwai , mununuri wangu. Mwari wangu
ndinoziva ndinofa asi handizive riniko, handizive kupiko, handizive seiko, asi ndinoziva kuti
kana ndikafa ndiine rutadzo runouraya, ndicharasirwa kumoto muzhinji. Mwoyo waYesu
waMwari, kunemi ndinotarisira girasiya rorufu rwakanaka, kuti ndife ndichishamwaridzana
nemi kwemisi isingaperi. Amen.

6
8.9 Munamato kuMaronda Mashanu aYesu
8.9.1 Ronda Sande retsoka yerudyi
Riimbirwe ronda Sande retsoka yerudyi yaMambo wangu Yesu Kristo

Yesu kristo, nekurwadziwa kweronda Sande, dzidzisai tsoka dzangu kufamba


munzira yezvirairo zvenyu, ndigoramba ndichiita zvakanaka kuti ndikuonei kudenga,
Mwari naMambo wangu.
Paronda iro Sande ndinoisa zvakanaka zvose zvandakapiwa nemi, ndinozviteurira
kunemi kuti ndirege kuzvikudza nazvo nekumutsa hasha dzenyu.

8.9.2 Ronda sande rorutsoka roruboshwe.


Riimbirwe ronda Sande rerutsoka yoruboshwe rwaMambo Yesu Kristo.

Mununuri wakanakisa; neronda iro sande ndinokukumbirai kuti musunungure tsoka


dzangu kuzviteyo zvandakateiwa nazvo navasemi vangu, kuti mudzivirire mweya
wangu kuti urege kuwira kurutadzo nokufa. Mundichengete ndirege kurasika ndirege
kufamba nenzira yokuzvikudza, ndigouya kwamuri nemwoyo unopfidza,
unozvininipisa.
Paronda iro sande , Yesu wangu ndinoisa semuteuro chipiyaniso changu chose
nekurwadziwa kwangu, muzvisanganise nechipiyaniso nekurwadziwa kwenyu.
Ndipeiwo girasiya rekukunda rushambwa nenhamo nokuita zvamunoda misi yose.

8.9.3 Ronda Sande reruoko rwerudyi


Riimbirwe ronda Sande reruoko rwerudyi rwaMambo wangu Yesu Kristo

Paronda iro Sande renyu ndinokumbira kunemi Mununuri wangu wadiwa, ndipeiwo
girasiya zhinji ndigorwisa naro vasemi vangu vanoonekwa nevasingaonekwi,
mundiise kurudyi rwenyu zuva remhedziso kuti ndigonzwa pamwe navasarudzwi
venyu mazwi omufaro “Uyai imi vadiwa vaBaba wangu, pindai nyika
yamakarongedzerwa imi kubvira pakutanga kwapasi”
Paronda iro Sande ndinoisa , mabasa ose akanaka andakaita negirasiya renyu,
ndichikumbira kuti musanganise nemabasa enyu akanaka, muateurire kuna Baba
venyu vari kudenga.

8.9.4 Ronda sande reruoko rweruboshwe.


Riimbirwe ronda Sande reruoko rweruboshwe rwaMambo wangu Yesu Kristo.
Ndinokumbira nemwoyo unokotama, mundiitirewo tsitsi pakutadza nepakukonona.

Simbisai mwoyo wangu ndigoita zvose zvandakapikira. Ndibatsireyi nokudaro


nechido chenyu kuti ndigone kureva chokwadi; ruboshwe rwenyu rwakabata musoro
wangu , rudyi rwenyu rwakandigumbatira.
Paronda iro sande, ndinoisa matadzo angu ose, andakapara ndichiziva kana
ndisingaziwe, Yesu wangu muadzime neropa renyu sande kuti arege kundichera, kana
monditonga, ndirege kuraswa misi isingaperi.

8.9.5 Ronda Sande reparutivi


Riimbirwe nomwoyo wose ronda raparutivi rwamambo wangu Yesu kristo.
Kaziwai tsime rechido , chitura chamagirasiya ose, painozorora mweya yedu.
Ndinogona here Yesu makanakisa kuswedera nechido chakanyanya, kukwazisa
mwoyo wenyu unorupfave nengoni dzose. Parupfave rwenyu rwakanyanya,
ndinokumbira kwamuri, Yesu wangu, regai kundirambidza kupinda mumba umu,
mandinochemera kuchengetwa.

7
Yesu makanakisa, makandirongedzera mwoyo wenyu senzvimbo yandinochengetwa.
Ndinokumbira ndichikotama kwazvo, mudziise mwoyo wangu wakatonhora
wakakusiyai, muuchenese neropa renyu sande, mukuhwidze moto wechido chenyu
munawo, kuti mumwe musi urege kusuwa nekuchemera zvisati zviri zvenyu.

Paronda raparutiwi penyu, Yesu wangu ndinoisa zvose zvaunochemera, zvose


zvaunoda mwoyo wangu. Mwoyo wenyu urege kuparadzaniswa nawo. Ndigare
saApostore Pauro akati “ndiani anondiparadzanisa nechido chaMambo Yesu Kristo?
Rushambwa kana kuvhunduka, nzara kana kushaya chokupfeka, kuoneswa nhamo,
kana kutandwa, kana kufa here?”

Vose: Tichenesei, tidzivirirei, tisimbisei, tiperekedzei kuti tinakirwe mumwe musi


kuona maronda enyu anopenya, tichifara nawo narinhi wose.
Amen.

8.10 Ritani kumwoyo musande waYesu

Mambo tinzwireiwo tsitsi


Kristo tinzwireiwo tsitsi
Mambo tinzwireiwo tsitsi, Kristo tinzweiwo
Kristo tidawireiwo
Mwari Baba, muri kudenga, tinzwireiwo tsitsi*
Mwari Mwanakomana, mununuri wapasi*
Mwari Mweya musande*
Utatu Usande hwaMwari mumwe chete

Mwoyo waYesu, Mwanakomana waBaba ugere nakare kose


Mwoyo waYesu, wakaumbwa naMweya Musande mumimba maamai muvirigo
Mwoyo waYesu , muno ukuru husingagumi
Mwoyo waYesu imba sande yaMwari
Mwoyo waYesu ugaro hwoMukuru kwazvo
Mwoyo waYesu , imba yaMwari , musuo wedenga
Mwoyo waYesu , choto chinotsva nechido
Mwoyo waYesu , ugaro hwoururami norudo
Mwoyo waYesu, muzere unyoro norudo
Mwoyo waYesu, chitubu chisingapwi chetsika dzakanaka dzose
Mwoyo waYesu , makakodzera kuimbirwa kwazvo
Mwoyo waYesu, Mambo unokokorodza mwoyo yose
Mwoyo waYesu , mune pfuma dzose
Mwoyo waYesu, munogara noumwari hwose
Mwoyo waYesu, makafarira Baba zvikuru
Mwoyo waYesu, takagamuchira tose mupfuma yawo izere
Mwoyo waYesu , makadzikama mune tsitsi dzakanyanya
Mwoyo waYesu , munopfumisa vose vanokumbira kunemi
Mwoyo waYesu , tsime rorupenyu norunako
Mwoyo waYesu, makaripira mirandu yedu
Mwoyo waYesu , makazadzwa noruzvidzo
Mwoyo waYesu, makaponderwa matadzo edu
Mwoyo waYesu , makafa muchiteerera
Mwoyo waYesu , makabaiwa nepfumo
Mwoyo waYesu , tsime revaraidzo dzose
Mwoyo waYesu , rupenyu rwedu nokumuka kwedu
Mwoyo waYesu , makateurirwa matadzo

8
Mwoyo waYesu , munoponesa vose vanokutarisirai
Mwoyo waYesu , rugare rwedu nokuwadzaniswa kwedu
Mwoyo waYesu , chitarisiro chavo vanofira munemi
Mwoyo waYesu , munofarisa vasande vose

Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi,


Tiregerereiwo mambo
Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi,
Tiregerereiwo mambo
Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi,
Tinzwireivo Tsitsi Mambo
M: Yesu muno mwoyo munyoro unokotama
V: Itai kuti mwoyo yedu ifanane nomwoyo wenyu.

Ngatinamatei: Mwari muna masimba ose nowemisi isingaperi, ringirai Mwoyo


woMwanakomana wenyu wadiva kwazvo, tarirai kuimbira nokuripira kwaakakuitirai
panzvimbo yavatadzi. Isu vatadzi tinokumbira tsitsi dzenyu , mubvume kutiregerera muzita
rouyo Mwanakomana wenyu Yesu Kristo , anogara noumambo nemi pamwe naMweya
Musande misi isingaperi.
V: Amen
****************************************************************************

9. Mimwe minamato inoitwa panguva dzakasiyana siyana

9.1 Munamato papfugamiro

Kunamatira Kuwadzaniswa Kwevanhu


Mwari baba munamasimba ose , tinonamatira vanhu vose, kuti vabatane mukirike renyu, vave
nechitendero chimwe chete, sokukumbira kwakaita mwana wenyu. Pindurai avo
vasingatendere. Shingisai vanokonona. Dzorai vatenderi vose, vari munzira isiri iyo nokusaziva
kana nokushaiwa simba. Itai kuti tigare sevana venyu, tigogarisana tose sehama nehama
sezvinodikanwa nomwana wenyu, mambo wedu, Yesu Kristo.
Amen

9.2 Munamato Wekuzvipira Mangwanani


Yesu mambo wangu wadiwa, ndinouya kwamuri nokuno mwoyo usina mhaka waMaria
musande. Ndinokuteurirai minamato, mabasa, kurwadziwa, nokufara kwangu kwose kwanhasi
kuti kuda kweMwoyo wenyu Musande kuitwe mumisa sande. Ndinokumbirirawo kwamuri
zvinangwa zvaPapa zvomwedzi uno ,muminamato yangu yanhasi.
Amen

Kana Kuti
Yesu nokune mwoyo usine mhaka waMaria. Ndinokuteurirai zvinamato, namabasa,
kurwadziwa nekufara kwangu kwose kwanhasi. Itai kuti kuda kweMwoyo wenyu Musande
kuitwe mumisa Sande nhasi. Mwari wangu ndimi mandinoitira nhasi uno, ndichifunga,
ndichitaura, ndichibata basa, ndichirwara. Itai kuti ndiswere nhasi ndisina kukutadzirai,
ndichiita zvamunoda zvoga. Amen

9.3 Kominioni yeChishanu Chechiposhi chomwedzi


Yesu wangu, ndichigamuchira kominioni Sande nhasi, ndinoitira Mwoyo wenyu Mutsvene
kwazvo. Ndipeiwo girasiya rokufarisa Mwoyo wenyu Mutsvene misi yose, ndinosuwira
kwazvo Sakaramende iro Sande, nokuvimba munaro, ndichitendera nomwoyo wangu wose kuti
murimo zvechokwadi. Amen
9
10 Mazuva makuru eChita
10.1 Zuva remuwiri neropa ra Yesu Kristo(Corpus Christ)
10.2 Zuva reMwoyo Musande
Rinopembererwa musi weChishanu chinotevera zuva reCorpus Christ (Zuva remuviri neropa
raYesu Kristo).
10.3 Zuva raMargaret Mary Alacoque
Rinopembererwa musi wa 16 October.
10.4 Zuva raKristo ari Mambo (Christ the King)
Rinopembererwa kupera kwemwedzi waNovember svondo rekupedzisira kwegore reKirike

11 Rumbo kuMwoyo Musande Kwazvo waYesu

Mangwanani nemanheru/ kwaziwai Mwoyo waYesu


Kwaziwai Mwoyo waYesu/ ndiyeuke Yesu

Pfungwa, mazwi nemabasa/ ndinozvipa kunemi


Kwaziwai Mwoyo waYesu/ndiyeuke Yesu

Ndinotambudzika pasi/ ndibatsirei negirasiya.


Kwaziwai Mwoyo waYesu/ ndiyeuke Yesu

Muurombo hwangu hwose / ndinofara munemi.


Kwaziwai Mwoyo waYesu,/ ndiyeuke Yesu

12 Rusariro

12.1 Zvishamiso zvekufara (Muvhuro neMugovera)


1. Angere Gabriel akaparidza kuna Mariya (Ruka 1:26-38)
2. Mariya akashanyira hama yake Elizabeth (Ruka 1:39-56)
3. Mariya akapona Jesu kuBeterehema mudanga (Ruka 2:1-21)
4. Yesu Kristo akagamuchidzwa mutembere (Ruka 2:22-38)
5. Yesu Kristo akawanikwa mutembere (Ruka 2:41-52)

12.2 Zvishamiso zvekusuwa (Chipiri neChishanu)


1. Yesu Kristo akatandadza mumunda (Mateo 26:36-56)
2. Yesu Kristo akapurwa pamutsigo (Mateo 27:26)
3. Yesu Kristo akagadzwa ndaza yeminzwa (Mateo 27:27-31)
4. Yesu Kristo akatakura chipiyaniso (Mateo 27:32)
5. Yesu Kristo akarovererwa pachipiyaniso (Mateo 27:33-56)

12.3 Zvishamiso zvekurumbira (Chitatu, neSvondo)


1. Yesu Kristo akamuka muvafi (Jona 20:1-29)
2. Yesu Kristo akakwira kudenga (Ruka 24:36-53)
3. Mweya Musande akaburukira pana vapositori (Mabasa 2:1-41)
4. Mariya musande akakwidzwa kudenga
5. Mariya musande akagadzwa uhosi hwedenga

12.4 Zvishamiso zveChiedza (China)


1. Yesu anobhabhatidzwa muna Jorodani (Mateo 3:13-16).
2. Yesu akaratidza simba rake pamuchato wokuKana (Johani 2:1-11).
3. Yesu Kristo akaparidzira kuuya kwoUmambo hwaMwari (Mariko 1:14-15)

10
4. Yesu Kristo akashanduka arimugomo (Mateo 17:1-8)
5. Yesu Kristo wakatipa sakaramende romuviri neropa rake (Mateo 26)
13 Rusariro rwemarwadzo manomwe aMai Maria
Mwari wangu ndinokupai zvuma izvi zvidiki zvamatambudziko kuitira mbiri yenyu uye kukudzwa
kwezita raMai venyu vasande. Ndinokukumbirisai nekune misodzi yavakadonhedza panguva ino
kuti mupewo ini navatadzi vose kugona kurwarira matadzo edu nekuapfidza nemwoyo yedu yose.

Kuneni mutadzi navatadzi vose pasi pano tigoneseiwo kupfidza matadzo edu ose neMwoyo yedu
yose, amai vazere netsitsi nerudo tiyeuchidzeiwo marwadzo aMambo wedu Yesu Kristo panguva
yedambudziko ravo sande. (Rutatu)
Marwadzo aMai Maria.
1. Kufembera kwaSimion.
2. Kutizira Egypt kwemhuri sande
3. Kushaikwa kwemwana Yesu
4. Mai Maria vanosangana nemwana wavo munzira yechipiyaniso
5. Kurovererwa kwaYesu pachipiyaniso
6. Yesu anoturunurwa pachipiyaniso achigadzikwa pamakumbo amai vake.
7. Yesu anovigwa muguva risiri rake.
Mushure medambudziko ita
• Baba vedu vari kudenga…….
• Kwaziwai Maria ….. X 7
• Kuneni mutadzi nevatadzi vose………..
Kwekupezisira kwerusariro urwu ita
• Baba vedu vari kudenga…… X 3
• Kwaziwai Maria ….X 3

14 Rusariro rwetsisi dzaMwari (The Divine mercy chaplet)


Tinoshandisa Rusariro rwakafanana neruri pamusoro
+Baba vedu............
Kwaziwayi Maria .........
Ndinotendera Baba.............

Patsanga hombe dzose (5) tinoti:


Baba vedu vari kudenga, tinokupai muviri, ropa, mweya nehuMwari hweMwanakomana wenyu
wepamwoyo, Mambo wedu Yesu kristo, tichiripira matadzo edu neevanhu vose pasi rose.

Patsanga duku gumi tinoti:


M: Nepamusana pekutambudzika kwake kunosuwisa.
V: Tinzwireiwo tsitsi isu nepasi rose.

Pakupedzisa tozoti katatu


Mwari muoera, munoera Samasimba ose, munoera, munogara nekusingaperi, tinzwireiwo tsitsi
isu nepasi rose.

Ngatinamatei:
Makafa Yesu, asi ndizvo zvakava mviromviro yohupenyu kuvanhu vose, uye nyanza yetsitsi
dzenyu ikazarukira pasi rose. Chokwadi chitubu chohupenyu, tsitsi dzisina anogona kudziyera,
shongedzai pasi pose uye zvidururei pachenyu pamusoro pedu.
Ropa nemvura zvakapfachuka kubva mumwoyo waYesu sechitubu chetsitsi kwatiri, ndinovimba
nemi, Yesu ndinovimba nemi.

11
15 Rusariro rweMwoyo Musande kwazvo waYesu

Mambo Yesu Kristo vakagara pano pasi makore 33 (years). Yesu Kristo akaPapatiswa naJohane
muombeki aine makore 30. Akazoparidzira uMambo waMwari kwemakore matatu zvakasimba
kwazvo.
Maitiro eRusariro
1 Ndinotendera ......................(pamufananidzo wechiso chaYesu)
2 Vakudziwe Baba ............}
Chichemo.........................} Patsanga mbiri dzakafanana
Baba vedu........................}
3 Mwoyo Musande Kwazvo waYesu }
Tinovimba nerudo rwenyu rukuru}Patsanga nhatu dzinotevera
4 Vakudziwe Baba ............}
Chichemo.........................} Patsanga mbiri dzakafanana
Baba vedu........................}
5. Mwoyo Musande Kwazvo waYesu }
Tinovimba nerudo rwenyu rukuru}Patsanga gumi dzinotevera
Dzokorora 4 and 5 kusvika rusariro rwapera
Munamato wekuvhara } Yesu Makanakisa Tsime rechido.........
- munamato uyu unoitwa pamafaro kana parufu

16. Novena kuMwoyo Musande kwazvo waYesu

Itai munamato unotevera mazuva mapfumbamwe anoteverana

Yesu makati “Zviro kwazo ndinoti kwamuri, kumbira unopihwa, tsvaga unowana, gogodza
unozarurirwa” (Mt 7:7)
Onai Mambo tinogogodza, tinotsvaga, tinokumbira. Tipeiwo girasiya rokuti tive vana venyu
vanoteerera shoko renyu nokurichengeta muhana dzedu nguva dzose. Tiiteiwo midziyo
yerudo kunherera neshirikadzi nevarombo
Baba vedu........................
Kwaziwai Maria ..........................
Vakudziwe Baba ..........................
Ngatinamatei: Mambo wedu Yesu Kristo, munoda vanhu vose. Tinokumbirisa rudo rwenyu
rwamakatiratidza pachipiyaniso. Tinouya kwamuri tichiti, ivai nevanhu vose vanoshuvira kuita kuda
kwenyu nguva dzose. Nyaradzaiwo avo vari munhamo, vane nzara, vapeiwo chokudya, vane nyota
vapeiwo chokunwa.
Isu mhuri yenyu yamadai kuunganidza pano ngaive vanhu vanoda kubatsirawo vamwe, itai kuti tirege
kungozvifunga asi kuti tiyeukewo vamwe vanoshaiwa nguva yokuzvipira kwamuri pamusana
pezvikonzero zvakasiyana siyana. Amen.
Baba vedu........................
Kwaziwai Maria ..........................
Vakudziwe Baba ..........................
Yesu makati “Denga nepasi zvichapera asi mashoko angu haaperi” (Mt 24:35)

Tinozvipira norutsungo ruzere mumashoko enyu tichikumbira kuti mutipewo...................... (taura


chikumbiro chako nemazwi ako oga)
Baba vedu........................
Kwaziwai Maria ..........................
Vakudziwe Baba ..........................
Mwoyo waYesu tinovimba nemi. Zvose zvatinazvo ndezvenyu. Rudo rwenyu kwatiri rukuru.
M Tinokumbira Mambo wee
V Kuti tikudei zvakanyanya nguva dzose

12
17 Ritani kuzita sande raYesu

Mambo tinzwireiwo tsitsi


Kristo tinzwireiwo tsitsi
Mambo tinzwireiwo tsitsi, yesu tinzweiwo
Yesu tidavireiwo
Mwari baba murikudenga, tinzwireiwo tsitsi *
Mwari mwanakomana mununuri wapasi*
Mwari mweya musande
Utatu usande hwaMwari umwechete
Yesu, Mwanakomana waMwari mupenyu
Yesu, rubwiyo rwaBaba
Yesu, kuchena kwechiedza chisingaperi
Yesu, Mambo wembiri
Yesu, zuva reururami
Yesu, mwana waMaria muvirigo
Yesu, madikanwa
Yesu, munoshamisa
Yesu, Mwari wamasimba
Yesu, Baba venhambwe ichazouya
Yesu, nhume yezano guru
Yesu, munogona zvese
Yesu, mune moyo mukuru chose
Yesu, makaterera kwazvo
Yesu, womoyo munyoro unokotama
Yesu, munodisa utsvene
Yesu, munotida isu
Yesu, Mwari werugare
Yesu, musakisi weupenyu
Yesu, nhungamiri yetsika sande
Yesu, munotsva nekuda mweya
Yesu, Mwari wedu
Yesu, diziro redu
Yesu, Baba vavarombo
Yesu, pfuma yevatenderi
Yesu, mufudzi wakanaka
Yesu, chiedza kwacho
Yesu, ungwaru husingaperi
Yesu, unaki husingaperi
Yesu, nzira yedu neupenyu hwedu
Yesu, kufara kwavangere
Yesu, mambo wevapatriaka
Yesu, murairidzi wevapostori
Yesu, mufundisi wevanyori vevhangeri
Yesu, tsungo yavanyakufira chitendero
Yesu, chivheneko chevapupuri vechitendero
Yesu, utsvene hwevavirigo
Yesu, ndaza yevasande vese
Ivai norupfave, tiregerereiwo Yesu
Ivai norupfave, tidavireiwo Yesu
Kuzvivi zvose, tinunureiwo Yesu*
Kurutadzo rwose*
Kuhasha dzenyu

13
Kuzviteyo zvasatani
Kuruchiva rokufeva
Kurufu rusingaperi
Mukuramba mashoko enyu emumoyo
Nechishamiso chokuva munhu kwenyu kusande
Nokuberekwa kwenyu
Noumwana hwenyu
Noupenyu hwenyu hweuMwari
Namabasa enyu
Nokutandadza nekurwadziwa kwenyu
Nechipiyaniso chenyu nekufukatirwa kwenyu
Nokuziya kwenyu nekurukutika kwenyu
Nekufa kwenyu nekuvigwa kwenyu
Nekumuka kwenyu
Nekukwira kwenyu kudenga
Nemifaro yenyu
Nembiri yenyu
Hwayana yaMwari inobvisa matadzo apasi, tiregerereiwo Yesu
Hwayana yaMwari, munobvisa matadzo apasi, tiregerereiwo matadzo Yesu
Hwayana yaMwari inobvisa matadzo apasi, tinzwireiw tsitsi Yesu
M: Yesu tinzweiwo
V: Yesu tidavireiwo

NGATINAMATEI: Mambo Yesu Kristo makati: “Kumbirai munopiwa, tsvagai munowana,


gogodzai mucharurirwa. Tipeiwo isu tinokumbira, rudo rwenyu rouMwari, tigokudai nemoyo
wese, nemiromowo nezviito, tigosarega kukurumbidzai. Itai mambo kuti tigare tichibvunda
pamwe nekuda zita renyu sande, nekuti munoramba muchiraira vamunodzikisa muchido
chenyu. Imi munogara neumambo misi isingaperi. AMEN

18 Ritani kuropa rakakosha raYesu

Mambo tinzwireiwo tsitsi


Kristo tinzwireiwo tsitsi
Mambo tinzwieiwo tsitsi, Kristo tinzweiwo
Kristo tidavireiwo
Mwari baba, murikudenga, tinzwireiwo tsistsi *
Mwari mwanakomana mununuri wapasi *
Mwari mweya Musande
Utatu usande hwaMwari umwe chete
Ropa raKristo, wakava munhu, musuke matadzo edu*
Ropa raKristo, rechitenderano chitsva chisingaperi*
Ropa raKristo, rakadonhera pasi pakutandadza
Ropa raKristo, rakaduruka kwazvo pakurohwa
Ropa raKristo, rakachururuka pakugadzwa neminzwa
Ropa raKristo, rakayerera pachipiyaniso
Ropa raKristo, mutengo weruponeso rwedu
Ropa raKristo, kunze kwaro hakuno ruregerero
Ropa raKristo, chokunwa chiri muKominiyone sande chinotonhodzera mweya
Ropa raKristo, rwizi rwetsitsi
Ropa raKristo, nyakukunda madhiyabhore
Ropa raKristo, rutsungo rwanyakufira Mwari
Ropa raKristo, simba ravapupuri vaMwari
Ropa raKristo, rinobereka vatsvene

14
Ropa raKristo, rubatsiro rwavari munjodzi
Ropa raKristo, zorodzo yavakaremerwa
Ropa raKristo, nyaradzo yavatamburi
Ropa raKristo, chitarisiro chavapfidzi
Ropa raKristo, varaidzo yavanokarofa
Ropa raKristo, rugare norupfave rwemwoyo
Ropa raKristo, rubato rweupenyu husingaperi
Ropa raKristo, rudzikinuro rwemweya yomupurigatoriyo
Ropa raKristo, rinokodzera kuva nembiri norukudzo
Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi, tiregerereiwo Mambo
Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi, tiregerereiwo Mambo
Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi, tinzwireiwo tsitsi Mambo
M. Mambo, makatinunura neropa renyu.
V. Nokutiitira rudzi rwenyu rukuru.

Ngatinamatei: Mwari munamasimba ose newemisi isingaperi, imi makagadza


Mwanakomana wenyu mumwechete kuti ave mununuri wapasi pose nokuda kunyaradzwa
neropa rake rakakosha kwazvo. Tinokutetererai kuti tigopfugamira zvakakodzera mutengo
woruponeso rwedu, uye kuti nesimba raro tidzivirirwe kuuipi hwerupenyu rwuno,
tigozofarira zvibereko zveropa rake misi isina mugumo kudenga. Kristo Mambo wedu,
tisvitsireiwo chichemo chedu kuna baba. AMEN.

19 MAITIRO OKUGAMUCHIRA VANHU MUNHANHO YOKUTANGA YOUYEDZWA


MUCHITA

Mutungamiri (kuna Baba vezvomweya): Pamusoroi Baba, tiri kumbira kuti mugamuchire ava
munhanho yokutanga yechita cheMwoyo Musande Kwazvo waYesu. Takavaongorora tikaona kuti
vanogutsa zvinodiwa nechita kuti munhu atore nhanho yokutanga youyedzwa. Mazita avo ndiwo
aya…… (Mutungamiri anosheedza mazita evaedzwa vachiuya kumberi).
Baba vezvomweya (kuvatungamiri): Imi vatungamiriri vechita nenhengo dzechita, makazvigadzirira
here kubatsira vayedzwa ava kuziva Kristo nokumutevera sokutsidza kwatakaita patakabhabatidzwa?
Vatungamiri: Hongu, Baba
Baba vezvomweya (kuvatungamiri): Makazvigadzirira here kuratidza vayedzwa ava namagariro
enyu, magariro anotarisirwa neSangano kuti vanhu veChita vanofanira kunge vachiita?
Vatungamiri: Hongu, Baba
Baba vezvomweya (kune avo vari kuda kugamuchigwa): Hama dzangu dzadiwa, imi muri
kukumbira kuti muve vayedzwa vechita, Mwari anopa chiedza chake kumunhu ari wose ari pano pasi.
Nyangwe zvake asingaonekwe, anozviratidza namabasa ake aanoita kuti vanhu vose vave
vanomutendera nokumurumbidza iye Musiki wavo vose.
Pamakapapatiswa makatevera gwara raMwari rinova ndiro gwara rechiedza. Makatsidza nokutsunga
mwoyo kufamba mugwara iri raMwari muchinyatsoziva Mwari anotaura zvamazvirokwazvo kumunhu
ari wose. Makatsidza kufamba muchiedza chaKristo muchivimba noungwaru hwake.
Shungu yokuda kuzvipira zuva nezuva kuna Mwari ndiyo yakusvitsai panhanho yamasvika nhasi
yokuda kupinda muChita.
Munoda here kudzamisa upenyu hwenyu hwechiKristo?
Vayedzwa: Hongu, Baba
Baba vezvomweya: Munoda here kudzidzira zvechita cheMwoyo Musande Kwazvo waYesu
muchiteerera vatungamiri veChita chacho?
Vayedzwa: Hongu, Baba
Baba vezvomweya: Tinowirirana here kuti panguva iyi youyedzwa kana musina kugutsikana neChita
ichi mungabude zvenyu neniwo kana ndisina kugutsikana nemi ndinoramba kuti muenderere mberi
senhengo dzeChita?
Vayedzwa: Hongu, Baba
15
Baba vezvomweya (kune vatenderi vose): Mose muri muno manzwa here kuti ava vari kuno
kumberi vari kukumbira kugamuchirwa munhanho yokutanga yechita cheMwoyo Musande kwazvo
waYesu?
Vatenderi vose: Hongu, Baba
Baba vezvomweya: Ini Baba ……. ndabvuma kuti nditambire vanhu ava munhanho yokutanga
youyedzwa hweChita.
Vatungamiri: Tinotenda, Baba
Vatenderi vanoombera pamwe nokupururudza kufarira nhengo itsva uye sokuremekedza chiitiko ichi
chakakosha.
Baba vezvomweya vanokomborera hanzu dzechita …… (uniform, bible and candle)
Ngatinamatei: Mwari munamasimba ose, tinokukumbirai kuti mukomborere hanzu dzevana venyu ava
dzavachapfeka kutivakudze nokurumbidza Mwoyo Musande kwazvo waYesu. Hanzu idzi
ngadzivayeuchidze kuzvipira kwavaita nhasi uno uye ngadzivadzivirire kunjodzi dzose dzomweya
nedzomuviri kuti vanyanye kukuitirai pasina zvipingaidzo. Tinokukumbirai kuti vose vachapfeka
hanzu idzi vaitirwe tsitsi neMwoyo Musande kwazvo waYesu, vavavarire kugara vachiita
zvinokufadzai. Magariro avo ngaarumbidze Mwoyo Musande kwazvo waYesu nokukweverawo
vamwe pedyo nemi. Mambo wedu Yesu Kristo tisvitsireiwo chichemo chedu ichi kunaMwari Baba
vanogara vachitonga nemi pamwe naMweya Musande kwemisi isingaperi- AMEN.
Nhengo itsva dzinoenda kunopfekedzwa hanzu itsva dzeChita.
Vanozodzoka vabatidza mwenje yavo vapfeka hanzu dzeChita vosviko pfugama kumberi.
Baba vezvomweya vanokomborera nhengo imwe neimwe.
(Nhengo itsva dzingachidzokera kunogara pasi Misa yoenderera mberi)

20. MAITIRO OKUGAMUCHIRA VANHU MUNHANHO YECHIPIRI YOUYEDZWA


MUCHITA

Mutungamiri (kuna Baba vezvomweya): Pamusoroi Baba, tiri kumbira kuti mugamuchire ava munhanho
yechipiri yechita cheMwoyo Musande Kwazvo waYesu. Takavaongorora tikaona kuti vanogutsa zvinodiwa
nechita kuti munhu atore nhanho yechipiri youyedzwa. Mazita avo ndiwo aya…… (Mutungamiri
anosheedza mazita evaedzwa vachiuya kumberi).
Baba vezvomweya (kuvatungamiri): Imi vatungamiriri vechita nenhengo dzechita, makazvigadzirira here
kubatsira vayedzwa ava kuziva Kristo nokumutevera sokutsidza kwatakaita patakabhabatidzwa?
Vatungamiri: Hongu, Baba
Baba vezvomweya (kuvatungamiri): Makazvigadzirira here kuratidza vayedzwa ava namagariro enyu,
magariro anotarisirwa neSangano kuti vanhu veChita vanofanira kunge vachiita?
Vatungamiri: Hongu, Baba
Baba vezvomweya (kune avo vari kuda kugamuchigwa): Hama dzangu dzadiwa, imi muri kukumbira
kuti murambe muri vayedzwa vechita, Mwari anopa chiedza chake kumunhu ari wose ari pano pasi.
Nyangwe zvake asingaonekwe, anozviratidza namabasa ake aanoita kuti vanhu vose vave vanomutendera
nokumurumbidza iye Musiki wavo vose.
Pamakapapatiswa makatevera gwara raMwari rinova ndiro gwara rechiedza. Makatsidza nokutsunga mwoyo
kufamba mugwara iri raMwari muchinyatsoziva Mwari anotaura zvamazvirokwazvo kumunhu ari wose.
Makatsidza kufamba muchiedza chaKristo muchivimba noungwaru hwake.
Shungu yokuda kuzvipira zuva nezuva kuna Mwari ndiyo yakusvitsai panhanho yamasvika nhasi yokuda
kuramba muchidzidza nezveChita cheMwoyo Musande kwazvo WaYesu.
Munoda here kuramba muchidzamisa upenyu hwenyu hwechiKristo?
Vayedzwa: Hongu, Baba
Baba vezvomweya: Munoda here kuramba muchidzidzira zvechita cheMwoyo Musande Kwazvo waYesu?
Vayedzwa: Hongu, Baba
Baba vezvomweya: Tinowirirana here kuti panguva iyi youyedzwa kana musina kugutsikana neChita ichi
mungabude zvenyu neniwo kana ndisina kugutsikana nemi ndinoramba kuti muenderere mberi senhengo
dzizere dzeChita?
Vayedzwa: Hongu, Baba

16
Baba vezvomweya (kune vatenderi vose): Mose muri muno manzwa here kuti ava vari kuno
kumberi vari kukumbira kugamuchirwa munhanho yechipiri yechita cheMwoyo Musande
kwazvo waYesu?
Vatenderi vose: Hongu, Baba
Baba vezvomweya: Ini Baba ……. ndabvuma kuti nditambire vanhu ava munhanho yechipiri youyedzwa
hweChita cheMwoyo Musande kwazvo waYesu.
Vatungamiri: Tinotenda, Baba
Vatenderi vanoombera pamwe nokupururudza kufarira nhengo itsva uye sokuremekedza chiitiko ichi
chakakosha.
Baba vezvomweya vanokomborera hanzu dzechita …… (uniform, bible and candle)
Ngatinamatei: Mwari munamasimba ose, tinokukumbirai kuti mukomborere hanzu dzevana venyu ava
dzavachapfeka kutivakudze nokurumbidza Mwoyo Musande kwazvo waYesu. Hanzu idzi
ngadzivayeuchidze kuzvipira kwavaita nhasi uno uye ngadzivadzivirire kunjodzi dzose dzomweya
nedzomuviri kuti vanyanye kukuitirai pasina zvipingaidzo. Tinokukumbirai kuti vose vachapfeka hanzu idzi
vaitirwe tsitsi neMwoyo Musande kwazvo waYesu, vavavarire kugara vachiita zvinokufadzai. Magariro avo
ngaarumbidze Mwoyo Musande kwazvo waYesu nokukweverawo vamwe pedyo nemi. Mambo wedu Yesu
Kristo tisvitsireiwo chichemo chedu ichi kunaMwari Baba vanogara vachitonga nemi pamwe naMweya
Musande kwemisi isingaperi- AMEN.
Nhengo itsva dzinoenda kunopfekedzwa hanzu itsva dzeChita.
Vanozodzoka vabatidza mwenje yavo vapfeka hanzu dzeChita vosviko pfugama kumberi.
Baba vezvomweya (kunhengo itsva): Chiitai munamato wekuzvipira kuMwoyo Musande kwazvo waYesu.
Vayedzwa: Yesu makanakisa, tsime rechido. Baba vetsitsi, Mwari munyaradzi wavanhu vose/, imi
makatiratidza isu vatadzi upfumi hwomwoyo wenyu/, isu tose tinokutendai zvose zvamakatipa. Tinotenda
kwazvo kudzika kwamakatiitira Sakaramende Sande reatari/, muSakaramende iro rechido/. Mwoyo wenyu
wakanakisa wakaitwa mutematema/, nokutadza kwavanhu vose. Zvino isu tinoda kuripira mhosva idzo
dzose/, tinozvipira kuMwoyo wenyu Musande/, isu nazvose zvatiinazvo/. Tinopira kunemi mabasa edu ose
akanaka /, atakaita, atinozoita/, tichibatsirwa negirasiya renyu/, tinozokurudzira vamwe/ kuti vanamate
Mwoyo wenyu Musande/. Zvino tinokumbira kuti mugamuchire kuzvipira kwedu uku/, kwataita kuti
tikufadzei. /, Zvino zvamuri imi matipa girasiya rokuzvipira kwamuri/, chitipaiwo simba rokuita zvose
zvatakutsidzirai. Amen
Baba vezvomweya vanokomborera nhengo imwe neimwe.
(Nhengo itsva dzingachidzokera kunogara pasi Misa yoenderera mberi

20. MAITIRO OKUGAMUCHIRA VAYEDZWA KUVE NHENGO DZIZERE DZECHITA

Mutungamiri: Pamusoroi Baba, tinokumbiravo kuti mugamuchire ava senhengo dzizere dzechita
cheMwoyo Musande Kwazvo waJesu. Chita chakavafundisa zvinodiwa. Takavaongorora tikaona kuti
vanogutsa zvinodiwa nechita. Mazita evari kuda kugamuchirwa senhengo dzizere ndeaya......
Baba vezvomweya (kune vayedzwa): Hama dzangu, imi muri kukumbira kuti muve nhengo dzizere
dzechita cheMwoyo Musande Kwazvo waJesu, munotsidza here kuti muchachengeta mitemo yaMwari
neyeKirike nokubatsira vamwe kuti vaichengete?
Vaedzwa: Hongu, Baba
Baba vezvomweya (kune vayedzwa): Munotsidza here kuti muchatevera zvomugariro wechita chenyu
wokunamata nokuita mabasa ose okuparidzira chitendero nokubatsira vamwe?
Vaedzwa: Hongu, Baba
Baba vezvomweya (kune vayedzwa): Munotsidza here kuchengeta mitemo yeChita zvikuru yokuteerera
vatungamiri venyu nokuuya kumisangano yeChita?
Vayedzwa: Hongu, Baba
Baba vezvomweya (kune vayedzwa): Tinowirirana here kuti zvamunopfeka senhengo dzeChita, kunyange
muri imi makazvitenga, Chita chenyu chinondipa simba rokukutorerai zvipfeko izvi nokukurambidzai
kuzvipfeka ndisingakudzorerei mutengo wazvo?
Vayedzwa: Hongu, Baba

17
Baba vezvomweya (kune Vatenderi vose): Vatenderi mose muri pano, manzwa here kuti ava vari kuno
kumberi, vari kukumbira kuva nhengo dzizere dzechita cheMwoyo Musande Kwazvo waJesu uye vati
vachaedza kuva vaKristo nokuchengetavo mitemo yechita chavo?
Vatenderi: Hongu, Baba
Baba vezvomweya: Ini Baba ……. ndabvuma kuti nditambire ava senhengo dzizere dzechita cheMwoyo
Musande Kwazvo waJesu
Vose: Tinotenda, Baba
Vatenderi vanoombera pamwe nokupururudza kufarira nhengo itsva uye sokuremekedza chiitiko ichi
chakakosha.
Baba vezvomweya vanokomborera hanzu dzechita …… (uniform, bible and candle)
Ngatinamatei: Mwari munamasimba ose, tinokukumbirai kuti mukomborere hanzu dzevana venyu ava
dzavachapfeka kutivakudze nokurumbidza Mwoyo Musande kwazvo waYesu. Hanzu idzi
ngadzivayeuchidze kuzvipira kwavaita nhasi uno uye ngadzivadzivirire kunjodzi dzose dzomweya
nedzomuviri kuti vanyanye kukuitirai pasina zvipingaidzo. Tinokukumbirai kuti vose vachapfeka hanzu idzi
vaitirwe tsitsi neMwoyo Musande kwazvo waYesu, vavavarire kugara vachiita zvinokufadzai. Magariro avo
ngaarumbidze Mwoyo Musande kwazvo waYesu nokukweverawo vamwe pedyo nemi. Mambo wedu Yesu
Kristo tisvitsireiwo chichemo chedu ichi kunaMwari Baba vanogara vachitonga nemi pamwe naMweya
Musande kwemisi isingaperi- AMEN.
Nhengo itsva dzinoenda kunopfekedzwa hanzu itsva dzeChita.
Vanozodzoka vabatidza mwenje yavo vapfeka hanzu dzeChita vosviko pfugama kumberi.
Baba vezvomweya (kunhengo itsva): Chiitai munamato wekuzvipira kuMwoyo Musande kwazvo waYesu.
Vayedzwa: Yesu makanakisa, tsime rechido. Baba vetsitsi, Mwari munyaradzi wavanhu vose/, imi
makatiratidza isu vatadzi upfumi hwomwoyo wenyu/, isu tose tinokutendai zvose zvamakatipa. Tinotenda
kwazvo kudzika kwamakatiitira Sakaramende Sande reatari/, muSakaramende iro rechido/. Mwoyo wenyu
wakanakisa wakaitwa mutematema/, nokutadza kwavanhu vose. Zvino isu tinoda kuripira mhosva idzo
dzose/, tinozvipira kuMwoyo wenyu Musande/, isu nazvose zvatiinazvo/. Tinopira kunemi mabasa edu ose
akanaka /, atakaita, atinozoita/, tichibatsirwa negirasiya renyu/, tinozokurudzira vamwe/ kuti vanamate
Mwoyo wenyu Musande/. Zvino tinokumbira kuti mugamuchire kuzvipira kwedu uku/, kwataita kuti
tikufadzei. /, Zvino zvamuri imi matipa girasiya rokuzvipira kwamuri/, chitipaiwo simba rokuita zvose
zvatakutsidzirai. Amen
Baba vezvomweya vanokomborera nhengo imwe neimwe.
Munamato wekupedzisira:
Baba vezvomweya: Ngatinamatei. Mwari Baba vedu, ndimi makadana vana venyu ava kuti vave nhengo
dzechita chenyu. Ivo vakadavira. Zvino chivatumirai Mweya wenyu Mutsvene apinde mavari avagonese
kuzadzisa chinangwa cheChita chavo uye vagone kuchengeta mhiko dzavaita, kuitira kuti mhuri dzavo
nevanhu vose vawane rudo rwenyu nemavari. Vatsigisei murwendo rwavo muwedzere chitendero,
chitarisiro nechido mavari. Vavhenekerei kuti vazive zvinokufadzai. Vakurudzirei kuti vagare vachitevera
Dama Rakanaka vagosvika kurupenyu rusingaperi. AMEN.
(Nhengo itsva dzingachidzokera kunogara pasi Misa yoenderera mberi

18

You might also like