You are on page 1of 935

Uncontrollable feeling�

Written by: Yeu

+2773 268 8559

Me..... Stop it Daniel!!

Daniel..... Aaa sorry Angie ( akataura achibata musoro nekumeso nekudzungudza musoro)

Me..... Daniel you are my brother,

Daniel.... I know Angel and am sorry please don't tell anyone I promise to change.
Me..... You will never change Daniel you will never change ( ndakataura ndichida kubuda asi aive
andivharira kudoor)

Daniel.... Angel please, okay I promise mangwana ndiri kubva pano zvangu kuenda kwabamukuru.

Ndaka musundidzira zvine shimba

Ndikabuda muroom make ndichimhanya misodzi ichiyerera ndikanozvivharira mubedroom mangu.


Ndakatanga kufemera pamusoro ndaitadza kubvuma zvaive zvaitika. Ndaizama chose kubvisa
pfungwa yezvaive zvaitika asi yairamba ichidzoka mumusoro mangu. Ndakambobata mabook angu
ndichida kuverenga asi zvakaramba ndikambotora foni kuenda pawhatsapp asi pfungwa dzakaramba
kubva pane zvaive zvaitika. Ndakambogara pabed pangu ndichishaya zvekuita chero ivo vabereki
vangu Ndaizotarisana navo sei.

Ndakazongo pinda mubathroom ndikageza kwenguva yakati rebei ndaizama chose kudzima
pfungwa ye zvaive zvaitika. Chandaive ndave kungofunga ndechekuti dai zvikoro zvachivhurwa.
Ndakapedza kugeza ndikapfeka kwakurara. Pfungwa dzangu dzairamba dzichingodzoka pane zvaive
zvaitika. Ndakazongo batwa nehope ndiri mundangariro.

Mom..... My Angel,

Ndakavanzwira kuhope mai vangu vachindidana vachiuya kuroom kwangu. Vakapinda ndatogara.
Vachisvika pamba waive mugariro kuti vanotanga vaona vana vavo.
Me..... Mommy

Mommy.... Hi Angie, ko kurara masikati hanzii.

Vakataura vachindimbundira.

Me.... Kuzorora mom how was work..

Mommy.... Boring you know kuswera uchitaura kunongobhowa. Ko Daniel aripi

Hana yangu yakatanga yarova ndikaita kakubvundukukira.

Mom.....Angel where is Daniel.

Me.....( Ndichikakama) I... I... Mom i... It's like...


Mom..... Angel! ( Vachiita kakudanidzira) what wrong?

Foni yavo yakabva yarira. Vakaibudisa it was Daniel.

�����������

Mom... Daniel where are you.

Daniel..... I'm sorry mom I didn't tell you, in kadoma now on way to Gweru.

Mom.... Daniel dai wafona wataura waenda kunoitei kuGweru

Daniel.... Hapana kungofambao

Mom.....Angie was worried anenge atombochema usapote uchitiza mwana. Ooh taura naye
ndingatozorohwe.
Du du du

Foni yakabva yakata ndikanyatsonzwa kufara, nezvaive zvaitika masikatika I was not ready kutaura
naye.

Mom.... ( Vachindizungunusa) Angel what's wrong today hee ndanguri ndakudana chii, apa
waakuchema.

Ndakapukuta misodzi ndakavatarisa vairatidza kupererwa.

Me.... Musoro wangu ukurwadza mama.

Ndakabva ndarara zvekare.

Mom..... Angie handei kwadoctor.


Me.... No mom am fine please just go to your room.

Vakasimuka Mai vangu vakabuda. Hapana kuita 30mins vakapinda zvekare vaina family doctor
nadaddy.

Daddy..... My Angel

Me..... Daddy how are you, doctor how are you.

Both.... We are fine how are you feeling.

Me.... Am okay

Doctor vakaita basa ravo vachibva vandipa mapills ndakamanwa nekuti ndaive ndave kutonzwao
musoro nekuda kwezvaive zvaitika. Doctor vakabuda ndikasara nevabereki vangu.

Daddy.... You can rest now. Ukuda kudya chii.


Me.... Anything daddy.

Daddy.... Babe let's go tinomutsvagira zvaanofarira.

Vakabuda vakabatana maoko. Ndakasara ndikazama kurara asi zvakaramba ndichingofunga zvaive
zvaitika. Ndakamhanya kuroom kwamama ndikanotora pill rehope ndikanwa pasina nguva ndaive
ndakunzwa hope. Ndidzo nguva dzakapinda mama nadaddy.

Mom....Angie muka tone uzodya I will feed you.

Vakandibata ruoko kwakutanga kufamba neni

Mom.... Ooh Mira nditore foni yako Mira.

Vachingondiregedza ndakabva ndadonha pasi zvekutadza kuziva zvaiitika


I woke up musoro uchiita kuvanda zvekuti ndaitadza kana kutaura. Kuti ndisimudze ruoko rwaiita
kubanda. Pasina nguva doctor vakauya.

Doctor.... How are you my doctor.

Ndakangokwanisa kudzungudza musoro ndichiramba. Akabva atanga kundirapa. Ndakabva


ndamborara ndakazopepuka ndichinzwa munhu aichema it was mom.

Me.... Mom

Daddy.... Amuka babe chinyarara she will be fine handi...

That was mom vainyemera daddy zvekuti waiti pamwe vachiri mukomana nemusikana.

Me.... Mom am fine okay it's just that I took a sleeping pill last night

Daddy.... Why Angie do you have any problem.


Me.... I can't tell you daddy.

Daddy... Tell me mwanangu mukwasha here arikunetsa

Ndakabva ndazvivhara kumeso.

Daddy.... I told you Mai Dee inyaya yemukomana iyi chii chaitika.

Me.... Andiramba

Vakaputika nekuseka vabereki vangu. Zvekuti ndakaguma ndave kunyara nemisodzi yakabva yaita
manyemwe zvekuyema izvi ndaive ndakazvitora kuna Mai vangu.

Ndakanyepa, yes ndandakarambana nemukomana wangu papatove nesvondo rese asi handina kana
kurwadziwa nekuti ndaisamuda uye ndainzwa kuti ndisina mukomana kudai ndakakwana nezvinhu
zvese..

Daddy.... Sorry my Angel sorry mwanangu achauya umwe munhu kwaye handi.
Ndakabva ndapiwa zvavaive vandiigira. Ndakazobudiwa muchipatara manheru acho.

Takasvika kuGreendale kumba kwataigara chikafu chatobikwa, kumba kwaive nevasikana 2 vaiita
basa asi Mai vangu vaive vasina kundijaidza zvavo saka basa ndaigona rese. Takagara zvedu
kwakutanga kudya.

Daddy.... Angel

Me..... Daddy

Daddy.... Mom and daddy loves you wazvinzwa

I nodded vachibva vaenderera mberi.

Daddy..... Ukaita mukomana usanyanye kuperera paari chaizvo mude asi kwete zvekuperera, ndizvo
usazocheme mangwana. Well goodnight my love mangwana ndine zvandoda kuita macourts asati
asita so ndichatokasira
Me...... okay daddy goodnight.

Daddy vaive Judge, mom vari lecture saka nhamo chaiyo handiizive.

Mom.... Angel mwanangu stop thinking about munhu asingakude wako achauya you are still very
young you are turning 19 soon please relax hanty

I nodded vachibva vaenda kunorara. Ndakasimuka ndikarongedza mandiro ndikasuka, yes vasikana
vaivepo asi basa ndaida kuita nguva nenguva. Ndapedza ndakanogeza kwakurara ndichifunga kuti
mazuva ekuchikoro ave kukwana. Ndaive ndawana nzvimbo paGreat Zimbabwe University
mumasvingo ndiko kwandaida zvangu. Daniel akadzidza ku school of mines ndi Engineer aive
achangotangao kushanda.

Hope dzakazongobata ndiri mundangariro.

Mazuva akafamba ndichiswera pamba, mama nadaddy vaienda kubasa semazuva ose. Daniel aive
akandiblocker pawhatsapp zvaindirwadza asi wekuudza ndiye wandaive ndisina. Aingotaura namom
nadaddy. Ndaive ndamusuwa nguva zhinji ndairara ndakatsamhira picture rake

Pasarirwa need days kuti ndiende kuchikoro, ndakapiwa Mari namom kuti ndinotenga hembe
nezvimweo zvandinoda yaive Friday ndidzoenda Monday week raiteera.
Handina kumbotora nguva mutown nekuti ndaingoda zvinhu zvishoma Shoma. Ndakazonoswera
kubasa kwamama tikazoenda tese manheru kumba.

Ndichipinda musitting ndakarohwa nehana ndichiona..........

End of chapter

Ndakaona Daniel akagara pasofa achibaya baya foni yake.

Mom..... Daniel
Akabva asimudza musoro kwakutanga idzana maziso neni. Hana yangu yakabva yarova ndichinzwa
kunge ndafambiwa nemasvosve.

Mom..... Daniel naAngel chii

Tese takaita kakuvhunduka nekuti taive tavarairwa takatarisana. Ini ndakabva ndaridza tsamwa
kwakufamba ndichibuda musitting.

Mom.... Angel Hauna kumhoresa Daniel where are you going.

Me..... Ngadzokere kwaanga Ari mom.

Vakaita kakuvhunduka uyu Daniel aive akangotsikitsira.

Mom.... Why, he is your elder brother, my first born and your one and only brother what.

Me.... Saka kana Ari brother yangu anondi.....


Handina kuona kuti Daniel akasimukasei paaive asi ndakangozoona atondibata muromo. Takabva
tatarisana ndakangonzwa kakupera Simba sekuti kana kurwisa ndakatadza iye akabva akasira
kubvisa maziso ake pandiri kwakutanga kuseka.

Daniel.... Mom mwana wenyu ka kutsamwira kuti ndakamusiirei kwandaienda, waida tiende tese
kumba kwemusikana wangu here amana.

Hana yangu yakarova ndikabva ndanzwa kagodo kwekanguva kadiki ndakambofunga kuti ndarova
musikana iyeye.

Mom.... Ko iwe waisiirei mwana plus ungaende kunorara kumba kwemusikana chirudzii ichocho.

Daniel..... mom nemio here amana, okay Angie let's go kutown ndonokutengera anything chaunoda.

Mom..... Tengerwa mota mwanangu uite 2 usabvume kunyengedzwa nezvinhu zvisina basa
akushanda uyu.

Vakataura vachibudisa mataive. Daniel akabva andidhonza ruoko tichienda mumba mandairara.
Daniel.... Angel ( akataura zvakapfava akanditarisa mumaziso)

Me.... Dany

Simba rakatanga kupera zvishoma nezvishoma ndakanyarara kudero akabva aisa ruoko kumusana
kuti ndisadonhe. Akaramba akanditarisa achibva azokissa paforehead pangu. Ndakaita kunzwa
zvinhu zvandisina ndambonzwa. Ndakamba ndagomerera nekutovhara maziso. Akabva andigadzika
pabed.

Daniel..... Angie am sorry about that day.

I nodded

Daniel.... Promise me kuti hapana waunoudza.


I nodded again achibva abata ruoko rwangu kwakukissa pamusoro achibva andiregedza kwakutanga
kufamba achibuda.

Me.... Daniel.

Akabva acheuka ndakaramba ndakamutarisa. Hameno chakango ndisimudze ndichibva ndafamba


zvishoma zvishoma ndichienda paaive ndakasvika ndikaisa maoko pamafudzi ndichibva ndatsinzinya
ndika Isa muromo wangu pane wangu ndichibva ndatanga kumukisa. akangondipusha zvine Simba
ndichinowira pabed. Akabva abuda.

Ndakatanga kuchema non-stop for 10 minutes. Musi uya ndiye akanditarisa nhasi ndini what is all
this nhai mwari. Ko Daniel achandiona semunhu akaita sei nhai imi. Ugoona ndaive ndisina
kumbotanga mukomana infact ndaisatozvida zvekungo batwa batwa muviri wangu. Ndaive
ndakangoita vakomana vaviri chete kana Ari wekutanga akandirambira kuti ndairamba kana nehug
zvayo . Wechipiri ndakamuramba andikisa by force. Ko pane brother yangu nhaimi kuti nditi imhepo
kana mweya wesvinaka ndakashaya kuti ndoti chii. Ndakapinda mubathroom ndikageza
ndichingopedza mom vakabva vapinda.

Mom.... Angie food is ready huya

She said vachibva vabuda ndakasara ndikapfeka ndichibva ndavateera. Ndakawana daddy
vakatogara ndakasvika ndichigarao.
Me..... Maswerasei daddy

Daddy.... Am good Angie how was your shopping

Me.... Perfect

Mom vakabva vapinda vari low low.

Daddy.... Where is your son

Mom.... Aramba kuuya atodaira zvine ukasha I hope everything is okay because ndanzwa neari
kuchema

Daddy vakabva vasimuka vachinomutarisa ndakasara ndakagara ndichiita kutura mafemo


ndaingozvibvunza mubvunzo wekuti ndaitei.

Vakadzoka baba Daniel vchidzungudza musoro.


Mom..... Wazomuregerera here iwe Angie may be ndozvaakatsamwa.

Daddy..... Kuregerera chii.

Mom.... Kuti haana kuenda naye kwabamukuru.

Daddy vakaseka zvekugara pasi.

Daddy.... Wakavajaidza kuyema vana vako hona zvandave kuitirwa. Angel my girl chienda unotaura
naDaniel auye mwanangu hanty I will go with you kwabamukuru.

Ndakasimuka ndikaenda panze kuwindow remuroom yake. Ndakanoka zvishoma Shoma. Akabva
auya akavhura window.

Me..... Daniel am sorry please.


Daniel.... It's okay I understand.

Me.... Chiuya udye.

Daniel.... I can't face them

Me.... Please for me please

Daniel..... Okay am coming. Wait for me.

Ndakabva ndapinda mumba ndikanomira padoor rake haanao kutora nguva akabva abuda haana
kumbonditarisa, akandibata ruoko kwakutanga kufamba tichienda kutable.

Ruoko hwacho waidziya sezvinoita pakati nezvinzva. Rwuri soft zvinonakidza kakudziya kacho
kaindipedza simba. Takasvika Daniel achinyemwerera Ini ndakabva ndanyemwererao. Daddy vakafa
zvavo nekuseka.
Daddy..... Haya imi vana imika.

Takanamata tikadya tichibva tanorara. The following day I woke up Kuma 4 hope dzakaramba kubata
ndakabva ndaenda kukitchen kunogadzira breakfast. Mom nadaddy vaifarira food yekumusha so
ndakaisa mbambaira nerice Shoma. Ndichibva ndambonoona TV. Pakaivha rice ndakabva ndariisa
dovi kwakubika liver yangu. Ndakabva tatotanga kugadzira mumba. Vangu vakazosara vomuka
ndatopedza kugadzira table. Takadya Zvakanaka naka

Daddy.... This is good Angie wandigonera nhasi.

Me..... Thank you daddy.

Tapedza kudya Daniel akabva atonozvivharira mumba maairara. Inio ndakabva ndanozvivharirao
mangu. The whole day hapana hakaona umwe Takaswera takazvivharira mudzimba
takazongosangana pakudya manheru.

Mom..... Daniel mangwana iwewe unoenda naAngie kuplot kuti anoudza mbuya kuti ave kuenda
kuchikoro hanty
He nodded Ini ndikati..

Me..... damurongedza mangwana mama.

Mom..... Ini nevasikana tisu tinosara tichirongedza uzotora card rangu kuti mugovatengera Chimwe
chikafu.

We nodded kwakunorara , the following day ndakamukira kugeza kwakugara ndamirira Daniel
haanao kutora nguva takabva taoneka kwakubuda.

Munzira kuenda kutown hapana haitaura neumwe. Takatenga zvinhu zvakawanda wanda
kwakupinda munzira tonanga Norton kuplot. Daniel aive akanyarara munzira, zvaindirwadza Kani
Daniel Kare aiti ndinaye kudai tinenge tichingoseka.

Anyway takasvika zvakanaka tikaona mbuya. Ndikarairwa rairwa zvekuchikoro ndozvavaive mbuya
vangu vaigara vachingokuraira. Takazooneka zuva rave kurereka kwaurongedzerwa tikapinda
munzira kwakudzoka. Tichangoti darikei pasnake park Daniel akabva amisa mota padivi nenzira
Daniel..... Angie

Akataura akanditarisa akandibata nerumwe ruoko. Ndakabva ndamutarisa ndakanzwa kuita


sendadirwa masvosve mumuviri mangu ndakabva ndaramba ndakamutarisa. He then moved
towards me , I wanted to push him but to be honest something kept pulling me to him. Akabva
andibata kumusana kwakutanga kundipuruzira zvishoma nezvishoma.

Akaswededza muromo wake pane wangu achibva atanga kundikisa, I felt something kuita sekuti
ndaita tuweti huzasi kwangu that was my first time kunzwa zvinhu zvakadero. Akaramba
achingondikisa inio ndakazongoona ndave kutofambisao maoko angu kuendesa pamuviri wake.
Zvandainzwa ipapo chero dai ndainzi ndirarame life test ndiri mafeeling iyoyo ndaivhuma.

Ndakazongonzwa pi pi piiiiiii.... Ndakaita kuvhunduka ndichibuda mumaoko aDaniel. Ndichitarisa


zvaive mberi kwedu izvo zvakandiomera chando..........

End of chapter

..Daniel..
Ndakapeputswa nebhero remota rakarira ndaive ndave kunyika yangu ndega. Ndakatarisa Angel
moyo wangu ukurwadza she was innocent achiri mwana asina chaanoziva ndaive ndave
kumukanganisa. Kutaura chokwadi pandakamisa mota ndaisada zvekukissa Angel ndaida kutotaura
naye kuti timboparadzana kusatotaura pafoni chaiko. Umwe neumwe omboita zveupenyu hwake
then kuvabereki tichingoita setinotaura. Ziso rake nematarisiro acho zvakandikakata kusvika ndaita
zvandaisada.

I started developing feelings for her when I was kuattachment by then she was in form 4 akamirira
maresults I tried kuzvi controller for the past 3 years asi ndiri kutadza zuva rimwe nerimwe
mafeelings anenge achiita kukura gore rapera ndakamboita vasikana 5 panguva imwe chete asi
hazvina kubatsira dzimwe nguva ndaitoti ndichirara nemusikana ndotoona Angie ndotanga kutodana
Zita rake ndizvo zvandakarambirwa nevasikana kana kuti tichiita nyaya ndaipinda Zita rake even
pafoni kazhinji ndainyorera musikana kuti " I love you" angel.

Munhu wandakatombo gara naye ndi Chipo. Ndiye wandichiri kudanana naye chero ndakamuti
Angel haambondirambe nekuti izita rake rechi2 asi risiri pachitupa it's now 1 year ndiinaye asi
kungodanana zvezita.

Angie..... Dany ndikuda ice cream ini.

Akataura neizwi raindikuvadza, ndakango medzera mate ndichibva ndatenesa mota kwakuenda ku
ice cream I bought 2 for her Ini ndaisada kudya.
Ndakabva ndatora nzira yekumba stress yaive yave kundi kuvadza nekuda kwezvaiitika izvi.
Ndakambofunga zvekuenda kumadzibaba asi ndakashaya kuti ndinonotii kumadzibaba kwacho.
Zvainyadzisa kudanana nesister yako same father, same mother.

Takasvika kumba mom nadaddy variko, Angel haana kumbozvitaridza kuti pane zvamboitika.
Akasvika akatogara pamakumbo adaddy achibva atanga kuvaudza zvekwagogo. Mabag ake aive
arongedzwa kudhara. Takapiwa chikafu tikadya foni yangu yakabva yarira apa yaive pachaja, Angie
ndiye akasimuka kuno itora achingotarisa akabva aridza tsamwa achibva akata kwakudzoka.

Mom.... Ko yakata

Aive atochinja face. Foni yakarirazve ave kunogara pasi akabva anditarisa.

Mom.... Tora ka foni Angie uuye nayo.

Me.... No mom regai nditore

Ndakasimuka paya kwakutora foni


���

Babe calling...

Ndakabva ndatarisa Angie uyo aive atojenga misodzi I felt sorry for her ndichibva ndakata
nekutodzima foni. Ndakabva ndanogara pasi iye achibva atosimuka achigeza maoko

Mom..... Ko wadii Angie huya udye ka

Angie.... Ndaguta.

Akataura achirovera door achibuda ndakabva ndangopererwa. Ndakazombodya here. Ndakabva


ndatoendao kunorara ndakatora foni yangu kwakuenda kuapp ndikaona chat from Chipo yaive
yakanzi

� Shaa ndipooka Mari iya landlord vangu vakupenga chitouya izvezvi coz pakaipa.

Ndakaverenga message iya ndikapfeka mapush kwakutora makey emota ndichibva ndabuda.
Ndakafambisa mota nekukasira zvekuti pasina nguva ndaive ndasvika ku Warren park. Ndakabva
ndafona akati pinda. Ndakapinda ndikananga mumba maaigara. Ndakatowana akarara asina kana
hembe. Akabva atondikakata paya achibva atanga kundibata. Nguva iyoyo fungwa dzangu
dzakamhanya pane zvaive zvaitika masikati.

Ndakatanga kungoona Angel mumaziso angu, I ended up making love naye. After that I started
feeling guilty zvekutofemereka chaiko kuita stress.

Chipo... What's up why ukufemereka kudai ukurwara

Me..... No ndave kuda kue....

Handina kupedzisa ndanzwa munhu aifemereka panze achikwidza madzihwa zvinoratidza kuti
aichema.

Me...... Ndiani akuchema panze


Chipo... Siyana nevanhu, vanhu vepano vane noise. Nhasi ukurara kuno ka.

Me..... No ndine basa mangwana I have to go

Chipo.... Okay but unozoenda kuma9 wambondifadzao.

Me ..... Okay

Ndipo pandakanzwa munhu uya achiita kuwedzera kushinyira. Ndakabva ndangobata door ndichida
kuona chaitora nzvimbo. Ndakapererwa ndichiona Angel akapfugama padoor achichema
akasimudza musoro tichibva tasanganidzana maziso. Akasimuka akatanga kumhanya apa aive ave
kuita kuchema zvino nzwika.

Me.... Angie wait! Angie


Ndakabva ndapinda mumba kwakutora bhutsu.

Chipo.... What's wrong hunny who is she.

Handina kupindura ndakangotora zvinhu zvangu kwakubuda ndichimhanya.

Ndakacheuka cheuka ndichitarisa tarisa kwakumuona achimhanya. Ndakamhanya ndichienda ikoko


kwakuona achiita kupinda munzira gonyeti rakatadza kudzora speed ndakaita kunonzi kuscreamer
ndichibva ndamhanya ikoko. Ndakasvika Angel Ari muropa raiita kuyerera. Ndakamuregedza
ndakamhanya kumota ndikaidzosa kumashure. Kwakusvika ndichimusimudza ndichimuisa mumota
Chipo akada kupinda mumota ndakamusunda zvine Simba ndichibva ndapinda mumota kwakuirova
ndakananga kutown. Ndakasvika paprivate ndichibva ndamusimudza kwakumhanya naye.

Doctor vakabva vavhara door kwakutanga kuita basa ravo ndakabva ndatanga kufamba ndichikwidza
nekudzika ndichifunga way forward.

I took my foni ndichida kufonera mom but ndakashaya zvekuvaudza I ended up sitting, ndipo
pandakaona call from Chipo.
����������

Me.... Ukudei

Chipo.... Munhu wako asiya foni paspot huya utore.

I hung up kwakutonopinda mumota ndaitya kuti mom vaigona kufona vakaudzwa zvimwe.

In no time ndandasvika pamba pake I called achibva abuda.

Chipo.... Who is she

Aitaura akatotsamwa.

Me.... Ndipoo foni pane zvandiri kuda imomo.


Chipo..... I said who is she.

Me.... Angel

Chipo.... Hoo thus why uchindideedza kuti Angel I was wondering kuti Zita iroro wakariwanepi. Uri
benzi Daniel ur.....

Haana kupedzisa ndamubata kwakutora foni zvechisimba ndakabva ndapinda mumota kwakurova
pasi. Ndakasvika doctor vachitonditsvaga.

Doc... Mr Pirai your sister is fine, angovhunduka chete then akuvara padiki diki pandaisa kabandage.
But BP yake yakakwiririsa so please don't stress her.

Ndakanzwa kurwadziwakuti zvaive zvakonzerwa neni. Tichitaura paya foni yangu yakabva yarira it
was mom Hana yangu yakabva yarova. I answered ndichitya.
Me..... Hello mom

Mom...... Uripi nemwana this time.

Me... Am sorry mom touya

I said ndichibva ndakata nekutodzima ndaitya kubvunzisiswa. Ndakaenda kwaive naAngie ndikawana
atomuka.

Angel... Doctor I want to go home

Doc.... You need to rest.


Me.... Please doctor regai ndiende naye anonozororera kumba.

Doctor.... Okay fine endai henyu.

Akapiwa mishonga tikanzi tipfuure tichitenga umwe wacho.

Ndakada kumubata achibva andivhizura. Akanopinda mumota kumashure then we drove home.
mota ichingomira akabva atopinda mumba I followed her but akasvika nekuzvivharira mumba make.

Moyo wangu wakarwadza ndikambozama kunoka but she didn't respond. It was all because of me.
Ndakapedzesera ndaenda kunorara

Hope dzacho dzakanonoka kubata ndichingomufunga ndakamboda kufona then I realized kuti foni
ndini ndaive nayo.........
End of chapter

..Angel..

Pandakapinda mumba ndakatanga kuchema ndakazvivharira kudero. Dai paisvika munhu


ondibvunza kuti urikuchemei ndaitoshaya kuti ndomuti chii?

Daniel anga achirara nemusikana wake?

Daniel andikisa masikati?

Kana kuti potsa ndafa?

Kutaura chokwadi ndairwadziwa nezvaive zvaitwa naDaniel but kuti ndimubvunze kana kuita noise
naye zvakandinetsa. Handina kurara usiku hwese ndichifunga zvaiitika muupenyu hwangu. Hope
dzakazobata kwatochema.
Ndakapeputswa namom vachiseka.

Mom..... Maienda kuparty muchinonoka kudzoka asi mamakanganwa kuti zvikoro zvavhurwa...
Mukai tone vamamoyo mugadzire tiende.

Me.... Morning mom

Mom.... Morning my love. I will miss you

Me.... I will miss you more mama

She kissed me pa forehead vachibva vabuda. I woke ndika geza nekuwaridza bed ndichibva ndaenda
kunodya. Ndakawana daddy vari musitting vachiverenga havo. Taka mhoresana ndichibva ndaenda
kunodya after that ndakanopfeka nekuti nguva dzaive dzaenda. Daniel ndaive ndisina kumbomuona
since morning so ndaitoti akarara. Ndichipedza kupfeka ndakaenda kusitting ndikawana vanhu
vatondimirira. Ndakagara pasi ndikaoneka baba namai. Daddy vachibva vati...
Daddy..... Angel mwanangu kwaurikuenda uko kure hakuna anotarisa kuti wapinda mumba nguvai or
mafambiro ako. Iwe ndiwe unosarudza life yaunoda kurarama. Usabvume kunyengedzwa nevarume.
I think zvizhinji unoziva. If you need anything please let me know handiti .....

I nodded vachibva vaenderera mberi.

Daddy..... I will miss you mwanangu uverenge nesimba.

Me..... I will miss you too daddy

Mom..... Truly speaking ndandisingade kuti uende kure neni Angie but am happy kuti you are happy
with your decision. I will always miss you. Hanzi naDaniel ndikupe marii iyi.

Ndakaita kuvhunduka which means atobva pano

Me.... Where is he.


Daddy.... Aenda kubulawayo hanzi kwaita emergency.

Me... Hoo

Takazopinda mumota kwakunanga Harare. Ndaingonosiiwa then next month ndendakuziva


ndopandaizogona kuuya kuzotora mota..

Muroad taingotaura nyaya dziri general. Kuma 1 taive tasvika mumasvingo that was my second time
kumupinda. I went to mucheke cumpas ndiko kwandaizonogara. Ndakabetserwa kuisa zvinhu
mumba nadaddy taizo share tiri 2 asi umwe wacho aive asati auya. Vana mom vakaoneka Kuma 3
ndikasara ndichirongedza hembe nekuona mamovie palaptop.

Kuma 4 muroom makapinda umwe musikana aive akapfeka truck suit ye red.

Her..... Roommate right?


Akadero akanditarisa.

Me.... Yes. How are you

Akanditarisa kubva kumusoro kusvika kuzasi achibva ati

Her.... That is my bed ndakauya ndikarishara nezuro.

Ndakaramba ndakamutarisa

Her..... Hey am taking to you bitch I want to sleep do it fast ibva tone.

Handina kupikisa zvekutaur ndaisada ndakabvisa mablankets angu kwakuenda pabed Riya rimwe
ndichibva ndatanga kubvisa hembe ndichiisa side rangu.
Akangoisa mabag pabed achibetserwa neumwe mukomana. Vachibva vabuda. I packed my things
zvakanaka naka ndichibva ndazorara zvangu. That day ndakadya food yandaive ndabva nayo.

She come back Kuma 9 nemazi paper bag aive nezvinhu. Akatanga kudya hake nemusikana waaive
naye. Ndainyepedzera kunge ndakarara.

Her friend..... Who is she.

Her.... I don't know and I don't even want to be close to her so handibvunze angatozoda kudya
zvinhu zvangu.

They laughed vachirongedza zvinhu zvavo ndipo pakarira foni yangu. It was Daniel I ignored aive
afona pachimbudzi. Vasikana vakabva vatanga kutaura.
Her friend..... Yolanda wagara nezvimwe munhu anoshandisa mbudzi mukore uno iiii uchenjere
kupedzerwa zvinhu zvako.

I realized kuti roommate yangu ainzi Yolanda.

Yolanda..... Wait and see am Yoyo ka inini.

Vakabva vaseka. Vachibuda I think kwaive kuperekedzana.

Ndakasara ndikabatwa nehope kwakuzomuka kuseni the following day. I took a bath ndikapfeka
dress nemapush kwakubuda.

The day went well hatina kumbodzidza taingoudzwa udzwa zvekuita. Manheru ndakaenda kunodya
kwakudzokera kuroom kwedu. Ndakawana mune 3 girls
Me.... Hi

I said Yolanda akangonditarisa zvimwe zviya zvekupima.

Mai vangu vaive vakandidzidzisa kuzvideredza, kuremekedza munhu wese, tsika, nehunhu. Izvi
kwaivao kutanga kuzviona izvi.

Days passed naYolanda tisina nyaya kwaari handina kumbobvira ndazviratidza kuti ndinowana
ndaingoraramao normal life. Iye aitoona sekuti ndiye arikurira kkkk. Ndakangonzwao kuti mom vake
vanoita zvekutengesa, vanonohonda kuSA , Mozambique neBotswana. Hanzi she is a single mom
vane vana 2. Iye and her little sister. Yolanda aive munhu anotaurisa anoda zvinhu anogona
kudzikisira anotsvinya neni zvangu taive tatobudana. Last weekend mom vake vakauya ndakabva
ndanyatsoona kuti Shure regai aite zvaari kuita. Akatodza mai.
I have been ignoring Daniel since I came here handitaure naye kuapp ndakatomu blocka but the
truth is ndamusuwa.

Mom vanofona every day vese nadaddy. Kuchikoro takunyatso dzidza plus ndakuzivao nzvimbo zviri
Nani.

Today is Saturday ndamuka ndikawacha kwakupinda mutown for the first time. I bought chikafu
changu nezvimweo zvandaida kwakudzokera kumba. That was my first shopping tatatove ne2 weeks
tiri pachikoro.

Ndichipinda Yolanda akanditarisa kubva kumusoro kusvika kuzasi achibva asumuka kwakuvhura
munogara hembe dzake...

Yolanda.... Angel ndashaya Mari yangu 100 us please ndikuida.


Ndakatendeuka ndikanyatso mutarisa kwakuseka.

Yolanda.... Ukutoseka.

Akataura achifamba kuuya kwandaive.

Me.... Yolanda handina kumboba Mari yako Ini ndingaidii nhai.

Akabva abhidhaira achibuda. Ndakasara ndichirongedza zvinhu zvangu. Vakadzoka vasikana vari 3.
Vaive mafriends vari 3 kudero. Yolanda, Princess naTino.

Tino... Mari yedu tipeio tone.

Ndakaramba ndakanyarara. Yolanda akabvavandibaya baya musoro.


Tino.... Yoyo relax let us deal with this thief kutonodya Mari isiri yako.

Me.... Handina kumbotora Mari girls yenyu girls.

Tino.... Okay kana usina bhoo. Ndichaita kuti utaure mushe.

Akabva abata maoko angu, princess kwakubata Zama akatanga kurisvina. Ndakatanga kurwadziwa
zvekuti ndakataka kuchema.

Me.... Yolanda Please handina kuba Mari.

Tino.... Uchiri kuramba, Yolanda Bata maoko aya ndidhile naye.


Yolanda akabva andivata maoko. Ndakademba nechandaive ndabvira Harare ndichizodzidza kure
namai vangu kudai.

Ndakabatwa maoko Tino akatanga kundidzipa ndakatanga kunzwa mweya wangu uchienda
zvishoma nezvishoma.

Voice..... Stop hey.

That was a familiar voice ndakatanga kukosora ndimuka. It was Daniel akauya achimhanya pandaive
achibva atanga kundirova rova kumusana. Akasimuka achibva atora drink akatanga kundinwisa.

Yolanda akabva atanga kutaura zvakaitika kuti nditange kuchema......

Yolanda.....

End of chapter
5

Yolanda.... Mukomana musvinu akaita sewe anodanana nemunhu anotora varume vevanhu hee.
Angel kumba nhasi ndikakuona une murume wasisi vangu ndokudzipa.

Ndakanyatso chema neshungu. Daniel akabva anditarisa zvehasha achibva ati...

Daniel... Angel

Me.... It's not

Tino.... It's not what iwe takuona uchikisa baba maka.

Daniel akasimudza ruoko zvine Simba achibva andirova mbama yekuti ndakangowira pasi ndichibva
ndanyarara ndakadero.
Ndakapepuka ndiri muchipatara doctor . Ndaingove ndega. Ndakabva ndabvisa randaive ndakaiswa
kwakubuda muchipatara. Takakwira mota paPick n pay ndikanoburuka pacumpas ndakapinda
mukati ndichibva ndaenda kumba kwangu.

Ndakasvika musina munhu ndichibva ndatora foni kwakufonera Cynthia. Cynthia ndaidzidza naye
tichiwanzogara tese aionekwa Cynthia kuti nhamo inotamba chaizvo paari.

Cynthia..... Hello Angie

Me.... Uripi

Cynthia.... Kumba ko hindava kuita seuri kuchema.

Me.... Zvinhu hazvina kumira mushe Cee ndokumbirao kuuya kuzogara newe.

Akamboramba akanyarara kwakuzoti.


Cee.... Upenyu hwandorarama unohuziva here Angel haumboukwanise.

Me.... Ndohukwanisa.

Cee.... Huya ndokutambira paPangolin pamashops.

Ndakatora mornach rangu ndichibva ndaisa hembe mabooks laptop Mari food yese ndichibva
ndasiya machira nedzimwe hembe ndakazviisa muwardrop ndakakiya.

Ndakabuda ndikafamba ndichienda paPangolin. Ndakasvika Cee avepo. Ndichingo muona misodzi
yakaita manyemwe ndikatanga kuchema. I tried zvekurevesa akandinyararidza tichibva taenda
kumba kwake.
Regai ati ndingazvigona here. Aigara mubathroom asi ranga rakati kurei zvaro aive akawaridza saga
rekachira 1 nekamwe kekufuga bag rake riri kuseri kwedoor. Nemapoto maviri chisaga chehupfu
nerimwe box hameno kuti raive nei. Takagara paya akandiisira mbambaira netea ndikadya.
Ndapedza ndakamuudza zvese zvaive zvaitika.

Cee.... Ko wadii kufona kumba pane kugara nzvimbo yakadai nhaiwe

Me.... Kana iwe uchikwanisa kukugara Ini ndini ndingashamisirei ngatigare.

Cee..... Chimborara tozoita discussion later.

Ndakabva ndabudisa laptop kwakuti ashandise ndichibva ndadzima foni kwakurara.

I woke up kuma 6 infact ndakamutswa naCee. Aive abika sadza nemaveg.


Me.... Asi magetsi aenda.

Cee.... Aiwa handina magetsi Ini Mari yacho handiiwane ndoita zvehuni.

Takadya paya achibva aita candle on tikatanga kuverenga. For the first time ndakarara Kuma 1
ndichiverenga. Cee Aida chikoro kwete zvekutamba saka aindishingisa. Ndega ndainyatsonzwa kuti
zviri kupinda.

Takarara kwakuzomuka kuseni tikageza tichibva tadya chingwa ne tea ndaive ndauya nacho
chandaive ndatenga zuro wacho.

Takapfeka tichibva tabuda.

Me.... Nhai Cee bhutsu dzako dzadembuka wazviona hausvike kuchikoro.

Cee..... Haa shaa ndoupenyu hwacho ndakatongojaira zviripo.


Me.... Okay apa unopfeka size 7 hatienderane dai ndakupa dzangu.

Cee.... Haaa no don't worry hande chete iwewe.

Takasvika muclass musina vanhu tikatanga kuverenga. Vanhu vakauya lecture akapindao tichibva
tatotanga kudzidza. Tave pakati 3 girls dzakabva dzapinda. Vakangondicheka neziso vachinogara
kumashure.

Tichipedza kudzidza vakabva vauya.

Tino..... Eeee sisi tavinga Mari yedu.

Me..... Piwai naDaniel

Princess.... Siyana nemukomana waYolanda wanzwa.


Cee.... Chingonyarara Angie.

Yolanda..... Eee venhamo nyararai.

Ndakangosimuka ndichibva ndabata Cee ruoko kwakubuda vasikana vakabva vatanga kuteera.
Tichingobuda pagate ndakabva ndaona mota yaDaniel. Zvisinei akaburuka mumota muya
kwakutanga kufamba achiuya kwataive.

Daniel..... Angel

Ndakaramba ndakanyarara

Daniel..... Angie.
Cee.... Ukudanwa Angel.

Me..... Thus Daniel let's go.

Takaramba tichifamba tichienda. Yolanda akabva andibata ruoko.

Yolanda.... Way for him.

Akasvika Daniel achibva anditarisa kwakutarisa Cee achibva anditarisa zvekare.

Daniel..... Angel chii chaurikuita kunoku.

Ndakangofizura rwangu Pana Yolanda kwakubata Cee ruoko tichibva taenda.


Me..... Cee let's go kutown todzoka manje manje.

Takakwira paya tichibva taenda kutown. Takapinda kuBATA ndichibva ndatora masandals nemapams
kwakupa Cee.

Cee.... Handina Mari yekukudzosera Angel wawagona hako.

Me ..... Handidi kudzoserwa ini. Tora hande.

Takapinda mune Imwe shop kwakutanga kagas stove nelight redu hombe. Takazoguma nekwaOK
kwatakanotenga chikafu tichibva taenda kumba.

Takabva kutown tadya saka takangosvika tichiita zvemabook. Takazozorora kumanheru.

Days passed ndichigara naCee we were best friends ende taipindirana. Mom vangu vaifona every
day vese nadaddy. Vakandiisira Mari ndichibva ndabhadharira Cee Mari yake yechikoro akafara kuita
seachandibereka. Mai vake vaiita zvekurima muriwo kuti aende kuchikoro apa baba vaive
vakashaika.
3 Girls ndakazodzipa Mari kubva ipapo hatina kuzombotaura tongopfuudzana zvinhu zvangu zvese
ndakazonotora ndikauyisa kumba kwaCee. She was like a sister to me.

Daniel calls every time asi handidaire. Anombofona nedzimwe number ndakangonzwa kuti ndiye
ndobva ndatokata.

1 day iri Sunday ndakatogara hangu naCee tichiita nyaya....." Papapera 2 weeks kubva zvandakauya
kuzogara naCee" takanzwa munhu ainoka achibva aenda Cee akadzoka achiti ndaidiwa panze.

Ndakasimuka ndikanowana Ari Daniel ndakangoridza tsamwa kwakupinda mumba. Then he followed

Me..... Ibva pano Daniel.

Daniel.... Angie please let's talk.. let's solve this tension please.
Ndakapinda mumba medu ndichibva ndavhara door kwakugara ipapo.

Nguva dzakafamba achingorotomoka aripo kusvika aenda. Akaita 3 days achingouya kana ndaenda
kuchikoro ndaimuwana Ari pagate. Ndaimu ignore.

Rimwe zuva tichibuda pagate takawana akamira.

Daniel..... Angel ndakudzokera kubasa. Toraozve Mari iyi ugoshandisa

Ndakatabira mari iya kwakuipeta peta ndeichibva ndamutema nayo.

Yolanda..... Hunny ndipe Mari tinogocha leave them let's go

Handina kuziva kuti aive asvika nguvai. Ndakangomutarisa ndichibva ndatotanga kufamba.
Daniel.... Angel let's talk please shaa.

Ndakamunyararira. Tichibva tatopinda mumota kupinda mutown. Takazodzokera kumba atove


manheru.

Takawana 3girls dzakamira

Tino..... Ko kungo hura zvinozikamwa nane kuita zvekuhwanda.

Landlord vaCee vakabva vabuda.

Landlord..... Cee takagara zvakanaka pano Hama yako isati yauya. Avo ( vachitendeka princess)
varikuti mukutora murume wavo saka ibvai pano. Ibvai pano izvozvi budisai zvinhu zvenyu zvese
izvezvi.........
End of chapter

Ndakatarisa landlord vaya ndichida kuona kuti vairevesa here. Vakabva vatopinda mumba
kwakukanda machira panze.

Cee.... Mother mother..

She was crying akapfukaga girls ndakatanga kuseka vachibva vaenda. Zvinhu zvedu zvese
zvakabudiswa panze takarara panze ndakaita kunonzi kurwadziwa ndichiona shamwari yangu
ichichema.

Me.... Cee chinyarara.

Cee.... Ndoiwanepi imwe imba yandinokwanisa kubhadhara


Me.... Don't worry let's sleep mangwana tonotsvaga something better.

Ndakamumbundira tichibva tarara zvedu. I woke up Kuma 4 ndichibva ndatanga kurongedza hembe
mabag ese, Cee hakazomuka ndatopedza.

Cee.... Ko wadii kudii kundimutsa.

Me.... Kukumutsirei. Ngatipete machira tiende kunotsvaga imba.

Cee.... Handina Mari Ini.

Me.... Tinayo Mari Cee let's go.

Takabuda paya tikaenda kwaYeukai Kuma shops yakatanga kutsvaga imba. Kwave kuma 10 taive
taneta takabva tagara kwakuona vamwe vakomana vatakabvunza zveimba vakatipa number yepmba
paida munhu kupangolin we went there tikanoiona, it was a nice room ine matiles iri hombe. Pamba
pacho paigara landlord chete. Takabhadhara rent tichibva tativaudza kuti taizouya manheru.

We went kutown tikanotenga double bed.

Cee.... Nhaiwe Angie unoiwanepi Mari yese iyi...

Me.... Ndoisirwa Mari every time namom nguva zhinji handiishandese.

Takatora kalorry tichibva taenda pamba paya kwakutora mabag edu tichibva taenda kumba kutsva.

The following day takaenda kunotenga stove nechikafu. Takabva taenda kumba.

Mazuva akafamba naCee taitowedzera kuwirirana kwacho taive tave kuenda tese kuchurch kwavo
zvinhu zvaitonakidza. Mama vaCee ndaitaura navo pese pavaifona vaiziva kuti ndini ndogara naye.
3 girls dzaisati mhoresa. Rimwe zuva Yolanda akauya kwandiri achikumbira number yaDaniel
ndakangomuti handina asi akaratidza kubatikana. We went home tichifambisa sezvo taive
nehurongwa hwekuenda kuZaka kumba kwana Cee.

Takangosvika nekugeza tichibva tabuda. Mutown takatenga zvinhu zvishoma nemari yataive nayo.

Me... Yoo mom Havana kutumira Mari this week I need more money

Cee.... Nhai Angie ko ukatanga business how is that, I mean kuramba uchingopiwa Mari, I mean..

Aishaya kuti otaura point yake sei.

Me..... I understand Cee toita business rei ngatiite tese


Taitaura tiri mukombi kuenda kuZaka. Taiita nharo tichitonakirwa. Takafamba zvakanaka tikawana
mama vakati mirira mabusstop.

Takatakura zvinhu kwakuenda kumba. Upenyu hwacho hwainakidza kutodarika vanhu vari mutown.
Saturday Takaswera kugarden yamama tichisima murio, takazonodhidha kwave kuma 4.
Takadzokera kumba kuchangosviba.

Ndakawana foni ine mamissed call hobho enew number I called back zvikanzi.

Daniel... uripi.

Me..... kuzvikomba wauchidei

Him..... I know kuti hausi kuzvikomba uri kuZaka

Me..... kana uchiziva wafonerei.


Daniel.... because I miss my sister, I miss sharing my problems with her. I miss talking to her always. I
regret everything bad I did to her. Am sorry Angel I really really miss you please angel can we talk
please.

Ndakangodonhedza misodzi ndakanyarara.

Daniel.... Angie

Cee akabva atora foni kwakutanga kutaura.

Cee..... akuchema please ndokumbirao muzofona after about 30 mins she will be fine.

She hung up achibva andimbundira. Akaudza mom everything vachibva vatanga kundiraira.

Mom.... Angel mwanangu you brother have every right to be angry with you nekuti hapana munhu
asingadi kuti hazvanzi yake ibudirire. Iwewe forgive him handiti them you explain everything to him I
hope he will understand.
I just nodded paya, ndakaudzwa zvinhu zvakawanda wanda namom kusvika ndamuregerera.

He called again ndakamuti tisangane mutown mangwana acho. Well takarara uri mufaro bedzi bedzi.

The following day we woke up tikaita basa kwakunwa Tea tichibva taenda kubusstop. Pasina nguva
taive takwira. Takazosvika masvingo atove masikati. Akauya mwana wababa vangu ndichibva
ndamumhanyira achirikure.

Achindimbundira kudai ndakabva ndatanga kunzwa kuti muviri wese uri mumagetsi. Body yake
yaidziya zvekuti ndaive ndisisade kumba paari. Takasimudzirana musoro tichibva tatarisana.
Mumaziso ake pane zvinhu zvandaiona asi kuti nditi chii ndaitoshaya. Takaramba
tichingiswededzana padhuze zvekuti taive tasarirwa nedistance yakafanana nekureba kwakaita
zvigunwe apa maziso achitaurirana zvinodakadza. Ndakazongonzwa kuomberwa kwemaoko.

Moziva ndakaita kunonzi kuvhunduka zvakanyanyisa. It was Yolanda and her friends.

Tino..... Eee Angie wakutotuma munhu kuti akukise pamhene pakadai.


Yolanda...... Daniel I was looking for you can you please drop me off at the campus.

Daniel.... Am busy and handina kuuya kuzoona iwewe

He said achibva andibata ruoko tichienda kumota. Ndakadeedza Cee tikapinda mumota kwakugara.

Daniel.... Ndandakusuwai vamamoyo.

Me.... Not more than me. Cee this is my brother Daniel. Daniel this is my sister also my best friend
Cynthia.

Cee.... Nice to see you brother.


Daniel... Me too. Handei kuhotel ndimbonokudyisai Mari vafana.

We went pa Flamboyant tikanodya then tikazonotengerwa chikafu. After that akanotisiya kumba.

Daniel..... Angie ndandichida kuva newe for this week but basa rakandiwandira dear. Please tell
vana mom kuti hausisiri kucampus nekuti vanogona kuuya anytime. Pese apa ndini ndaivarambidza.

Me.... Okay thank you so ndovati ndakabvirei kucampus.

Daniel..... Tell them kuti musikana wandaigara naye ainyanya zvechihure so I wasn't comfortable,
Daniel ndiye akazoti ndibude.

Me.... Thank you darling.


Takambundirana paya achibva anditarisa mumaziso. I felt something kuzasi kwangu chakangoti waa.
Iye akabva andiregedza kwakuti bye. Ndakaburuka mumota kwakuenda mumba.

Cee.... Vaenda.

I nodded achibva acheka.

Me..... ko chii

Cee.... Hamumboite sabhudhi nasisi moita semalovers.

Hana yangu yakarova rova zvine Simba ndichibva ndamutarisa. Akabva awedzera kuseka.

Cee..... Am sorry hako kana zvakubhowa but thus the truth.


Me.... Case closed. Ngatiiteika discussion.

Ndakabva ndanzwa nock padoor. I went there it was our landlord.

Landlord.... Pane vakadzi vari kukudai kugate.

She said tichibva tapfeka bhutsu kwakubuda. Panze paive ne3 girls vakapfeka maface ebasa.

Yolanda..... How many times have I told you to say away from my man.

Takatarisana naCee tichibva taseka. Kwakupinda mugate tichibva tavhara kwakuno zvivharira
mumba medu.
Pasina nguva takanzwa noise ye gate rairohwa rohwa.......

End of chapter

Landlord vakauya futi vachiti vanhu venyu vari kuita noise. We went there ndichingobuda Tino
akabva asimudza bhotoro achida kunditema naro. Ndakazongoona bhotoro risina kudzika
mumusoro apa vanhu vese vanyarara kuti Zii. Ndakasimudza musoro kwakuona Daniel akabata Tino
ruoko.

Daniel..... Yolanda why are you doing this to my sister hee.

3 girls....���� Sister?

Daniel.... Yes She is my sister last born kumba kwedu Ini ndiri first born.
Yolanda.... But you are different from her haana kana Mari.

Daniel.... It's because haana pride like you haazvitutumadze like you. Anotori nemota yake ipapa asi
haana kuuya nayo because haana pride. What kind of a person are you.

Yolanda..... Am sorry hunny

Daniel.... Angie ndadzokera kuti ndikuudze kuti mom nadaddy vari kuuya kuzokuona mangwana.
Don't worry ndavaudza kuti hauchagare kucampus so vati vari kuuya nemota yako kuti usanetseke
transport if you need anything please inform them. Ndavaudza kuti wauchinyara kuvaudza kuti
wakabva kucampus so prepare for them.

I nodded achibva andipa Mari kwakutarisa Yolanda.

Daniel.... Yolanda stop bothering my sister kana uchida kuti tipindirane.


Daniel drove off ini ndikapinda mugate naCee girls dzakangosara dzakabata muromo.

Takaita zvemabook Kuma time time tikabika kwakudya. Cee akabva apinza nyaya yake.

Cee.... Saka mom vako havazopopote here vachiona ndichigara newe ko ndikambobva zvangu

Me..... Cee havambodero gara neni uzovaona vanofanira kutoziva iwewe you are like a sister to me
besides this room is yours kana wakutaura zvekubva that means ndini ndinenge ndakubva.

Cee..... It okay. Love you little sister.

We hugged kwakutanga kugadzira mumba Kuma 8 manheru Daniel called achiti aive asvika.
Takaverenga semazuva ese kwakuzorara late.
The following day I work up tichigadzira mumba kwakugeza tichibva taenda kuchikoro. Takadzidza
bhoo kusvika Kuma 11 patakabuda tichienda panze kunotenga maputi Ini zvangu ndaimafarira. 3
girls takaona dziripo. Vakabva vatanga kufamba vachiuya kwataive.

Voice..... Angel.

That was my mom ndakaita kucheuka ndichitova mhanyira. Ndakasvika ndichiwira mumaoko a Mom
. I was happy kuona mama vangu ndaive ndavasuwa. Ndakabva ndacheuka kwakudedza Cee. 3 girls
dzakatangao kufamba dzichiswedera.

Me.... Mom where is daddy

Mom.... Daddy vaenda paHigh court pane zvavanoita.

Vakabva vagamuchira Cee NE hug akaita kunyemwerera shamwari yangu.


Me.... Mama this is Cynthia my sister, best friend and roommate.

They hugged again.

Mom.... How are you my beautiful daughter.

Cee.... Am good mama.

Mom.... Daniel akandiudza kuti wakabva kucampus

Me..... Yes mama kudhara I was afraid kukuudzai am staying Kumba kwaCee. And am enjoying.

Mom.... Thank you my daughter you are very kind. Saka munokwira kombi everyday.
Me.... No mom tinofamba isu.

Mom.... Angie but why ndozvawakasiira mota here. Iiii vaita sevafemerwa daddy vako vati tikuigire
mota yako.

Me.... Thank you Mom. Chihandei kumba kwedu.

Mom vakabva vandipa makey , ndakadriver ndakananga kumba kwedu. Takasvika tikapinza zvinhu.
Kwakuzogara tave kuita nyaya.

Mom..... Your room is good Cee.

Cee... Thank you Mom.


Cee akabva atanga kubika kusvika. Ndakabva ndanodeedza landlord vangu kuti vazoona mama.
Vakaonana vachibva vaenda zvavo.

Daddy vakazouya kwatove Kuma 3 vakafara kutiona. Vachibva vatisiira Mari. Ini yangu Cee yake.

Daddy.... Girls ndikuda kukuitirai utsinye. Ndoda kukutorerai mbambaira nemanhanga enyu ayo

Cee.... No problem daddy. Mutori nedovi futi nemufushwa kana muchizvida.

Me.... Cee topedzerwa zvinhu zvedu aaaa

Daddy.... Kukara kkkkkkk


Everyone laughed, vana mom vakazooneka vakasiya vakumbira landlord kuti ndipake mota mugate.
Everything went well vana mom vachibva vazosimuka kuma6 vave kuenda. Takadzokera mumba
tichiita nyaya tichiseka naCee.

Cee..... Angie this is my first time kuona vanhu vane Mari vari humble. Your parents are very good.

Me..... Thank you.

Days passed tichigara bhoo naCee. Cee aive ave kugona kudriver ndaimudzidzisa. Mari yedu yaive
yawanda zvekuti takakwanisa kutumira ma cosmetics kuzambia titsvaga munhu aitengesa mutown.
Kabusiness kedu kaitofaya.

Yolanda kaizama nepese paanogona Napo kuti tiwirirane but ini ndaive ndatomubvisa mulife yangu

Daniel haana kumbodzoka kubva paya but totaura every day.

Rimwe zuva iri Sunday tichitoverenga nekuti taizotanga kunyora monday. Ndakaona sisi Yolanda
vasvika vari Vega vakarova make up.
Yolanda..... Makadii Tete.

Moziva Cee akaseka zvandisina mumbofungira. Akaseka zvekubata pasi. Ini ndakaguma ndave
kusekao. Akabva apusa Yolanda.

Cee.... Tokubatsirai nei nhai vakoma.

Yolanda.... Ndokumbirao number yaDaniel.

Me..... Handina sorry.

Akaramba akanditarisa kwakuridza katsamwa achibva abuda.


Pamazuva akateera tainyora zvedu Zama redu yes zvaingoreka and ndakapasa asi kwete
zvekuzosvika Pana Cynthia ka uyo aive shasha.

Takapedza kunyora tikambogara mazuva tiri tese na Cee.

Me.... Cynthia Saka mama vako murio wavanorima Mari yacho inokwana here kubhadhara fees.

Cee.... No Angie I have a brother Ari kuSA ndiye anobhadhara fees kazhinji mama voita zvimwe izvi.

Me.... You never told me about him


Akangotura mafemo kwakuti

Cee.... His name is Cephas his is the first born and am the last. Zvimwe I will tell you as time goes on.

I said okay nekuti akanga atonjenga misodzi. Ndakazorongedza hembe Shoma kwakurara
ndagadzirira kuenda harare.

The following day ndakasumuka kuma8 kuma1 ndaive ndatove kumba ndakawana kunamom
nadaddy. Daniel aive aenda kubasa aizouya mangwana

Everyone was happy to see me.

Mom.... Mangwana tikuenda kwamutare for 2days. We will see you tadzoka.

Vaitaura tave kunorara. The following morning vakabuda kuseni seni ndichakatorara vachienda.
Ndakasara ndakarara zvangu ko ndaida kumhanyirei. Kuma 10 I heard Daniel achitaura naaunty
ndakabva ndatonyepera kurara.
Akasviko vhura door achibva andideedza I didn't respond. Akabva arivhara achibva atanga kufamba
achiuya pandaive ndakarara. Akasvika achibva agara akanditarisa ndakatanga kunzwa
kunyerekedzwa mumuviri I opened my eyes kwakuona Ari padhuze dhuze neni akanditarisa
mumaziso chaimo. Ndakatanga kusimukira ndichida kusvika padhuze naye. Iye akabva aisa ruoko
rwake kumusana kwangu. He stated kissing my lips zviri gentle. Ini ndaingofemereka . We kissed for
a long time achibva atanga kufambisa maoko ake mumuviri wangu.

Door rakabva ravhurwa........

End of chapter

Daniel..... Shinga Angie chatobuda rega ndisvine ropa rese ribude.

That was Daniel pakavhurwa door luckily aive asina kukwira pabed akabva andivhara nejira
kwakusiya kumeso chese
Me.... Zvikurwadza.

Aunt.... Ko aita sei.

Daniel.... Kabundu aka kakuchemedza mukadzi mukuru

Aunty..... Okay rega nditore mushonga wangu sorry ndavhura door nemistake.

Daniel.... It's okay

Vakabva vabuda. We signed Daniel achibva andikisa paforehead achibva ati...

Daniel.... Gadzisira tiri kubuda now


Ndakasara ndichifunga Daniel, fungwa yekuti aive mukoma wangu yakatombobuda mumusoro
mangu. Ndaingoona Daniel chete uye ndisingakwanise kumubvisa mufungwa dzangu.

Ndakamuka ndikanyatsogeza nemoyo wese, ndapfeka kwakuenda kuroom kwaDaniel ndakasvika


ndichingopinda ndisina kunoka. That was my first time kupinda ndisina kunoka Ndakabva ndashama
murumo nezvandakaona.

Daniel aive akapfeka pant chete akatobata short kuti apfeke. Akabva azviregedza kwakutanga
kufamba achiuya kwandaive. Ndakatanga kunzwa mazi feelings akanyanya ndikatanga kufemera
pamusoro. Nezvendainzwa panguva iyi ndakaona kubuda mumba maDaniel iri best solution.
Ndakabuda mumba muya kwakutanga kufemera pamusoro ndiri padoor ndaitadza kuzvidzora kana
kufamba kubva ipapo.

Aunty.... Ko chii

Handina kupindura nekuti ndaitotadza kuzvidzora, vakabva vaseedza Daniel. Haana kutora nguva
aive ave panze. Kumuona kwandakaita. Ndakatonzwa sekuti ndaveserwa Moyo. Ndainzwa kuda
kubatwa naye.

Daniel.... Ko chii ( akabvunza akanditarisa)

Aunty.... ndamuwana achifemera pamusoro akamira ipapa.


Daniel akabva aenda kukitchen kwakunouya nemvura inotonora akabva andimwisa, kwakundi
mwaya imwe kumeso. Andibata ruoko kwakuti handei kuchipatara.

Aunt... Asi Ari kurwara.

Daniel.... Yes.

Aunty vakangoramba vakatitarisa kusvika tabuda tikanopinda mumota. Akamutsa mota tichibva
taenda mutown. He bought pizza for me but handina kumboidya mafeelings aive asati apera
ndaingonzwa kuda Daniel paduze neni. Akabva asimuka akatira nzira yemarondera handina
kumbobvunza kuti taiendepi ndaive ndakangonyarara.

Takasvika mumarondera tikaenda pane imwe Imba so the house was nice ine 4 rooms ( 2 bedrooms,
sitting nekitchen.) Maive nefurniture yese makanaka uye makachena. Ndakagara pasofa achibva
apinda mukitchen kwakuuya nemvura. Ndakanwa achibva agara patable akanditarisa.

Daniel.... Angel.
Me.... Daniel

Daniel.... Angel I have feelings for you

Ndakatarisa pasi nekunyara ndichibva ndagutsurira musoro.

Daniel..... I tried to hide it but zviri kuramba. Saka ndafunga kubuda muzimbabwe.

Ndakaita kumutarisa zvekushamisika.

Me.... Daniel why.

Daniel.... Angel I have to go


Me.... I love you Daniel handidi kuti uende Ini.

Akabva anditarisa

Daniel..... I love you too Angel.

Pakamboita a memont of silence

Daniel..... But you are my sister, blood sister so I have to go

Me..... Ko ini ndosara Nani

Daniel.... Namom nadaddy.

Me.... I need you my brother.


Ndaisada kumushaya Daniel but he managed to convince me kuti aienda asi achikasira kudzoka.

Daniel..... I will be back maybe by then unenge waroorwa.

He signed Ini ndakangonyarara maziso zvekurwadziwa. Akabva aenda panze, he come back
neplastic raive nechikafu. Tikadya takanyarara. After the meal akandidana Tika pinda mubedroom
rikarara.

Hope dzakazobata kukanganwa nhamo dzese. I woke up Kuma 4 ndichiona Daniel asiri padivi pangu.

Ndakabva ndamuka ndichimusheedza. Akauya achifambisa.

Daniel.... Hi my love
I smiled, especially paakati my love. Ndakanzwa manyuku nyuku. Akabva Andi haga

Daniel.... Muka ugeze babe. Tiende harare.

Ndakamuka ndakanogeza kwakudya tichibva tasimuka.

Me..... Daniel pamba pani patanga tiri.

Daniel.... Kkkkk why wabvunza tabva iweweka.

Me..... Kutokanganwa.

Daniel..... Thus my house babe but vana mom havaizive, I have feelings for you Angie handizivi
zvichaitika kumberi
I signed ndichibva ndanyarara nenio ndaive ndave nemafeelings naye but the fact that he is my
brother....

Daniel.... Ukufungei

Me.... I love you

Daniel..... I love you too

Akabva andibata ruoko. I drove takananga kumba. Around 6 taive tasvika. Takapinda mumba
kwakuona kuti aunty vaive vasipo. Ndakaisa poto yenyama ndichibva ndatanga kubika.

Daniel akabva asvika kwakutanga kunditarisa. Ndakanzwa Simba richipera akabva andibata
muchiuno. Kwakutanga kufambisa maoko ake zvishoma nezvishoma mumuviri wangu.
Yes vakomana ndakamboita but Daniel was best of the best. Akabva atanga kundikisa it was good
zvekuti ndakabva ndatosiya chipunu kwakutanga kumubatao.

The way he was kissing me yakaita kuti ndidane Zita rake.

Ndakanzwa kuti door ravhurwa but couldn't stop kissing him iyewo did the same. Takaramba
tichingokisana kudaro.

Aunty.... Daniel.

That was our aunty ndakavatarisa ndikaona vakabata muromo ndakangokwanisa kusunda Daniel
ndichibva ndamhanya ndichibuda.....

End of chapter
9

.. Daniel..

Pakavhurwa door ndakangoti pamwe imhepo. Ndakazopererwa ndanzwa Aunty Maka


vachindideedza. Ndakaita kunonzi kudedera mumakumbo mangu. Angel akabva abuda achimhanya.

Aunty Makanaka vakatanga kuti shandira Ini ndiri form 1. Vanhu vazhinji vaitofunga sekuti tine
ukama. Aunty Maka vaive munhu akasununguka anogona basa uye anoziva mwari. Vaive vakura. Ivo
vaiti vaive vakamboroorwa vakazorambwa nenyaya yekuzazvara ndiko kuuya kwavakazoita pamba
pedu.

Pakabuda Angel aunty vakaramba vakanditarisa vachingodzungudza musoro. Ini ndakabva ndakweva
chair yaivemo kwakugara ndakabata musoro. Vakaita dzinenge 5min vakamira vachingodzungudza
musoro. Vakazobva paya vachibva vabatidza stove kwakutanga kubika. Hapana aitaura neumwe
kunze kwekunyarara. Ini zvekutaura zvacho ndaive ndisina, ndaingomirirao first move yavo ndaibva
ndaona kuti ndodii. Asi pfungwa yekumboenda kuDubai ndaive ndatoipasisa. Ndaive ndatozviudza
kuti vana mom vachisvika ndaizovaoneka zvangu. Mumusoro mangu maive nezvinhu zvakawanda
wanda chekuita chaicho ndicho chandaishaiwa.

Ndakatanga kunzwa kukoshora kwemunhu nekugomera. Asi handina kuzviisa mumusoro,


ndakangoti pamwe zviri mufungwa dzangu. Aunty ndivo vakazobuda. Havana kutora nguva vaive
vadzoka vachiita kumhanya.
Aunty.... Dany Dany Angie anenge amwa poison ariku.... Ariku..

Havana kupedzisa. Vaiita kufemereka, vakabva vatora mukaka kwakutanga kumhanya vachinditeera
takananga kuroom kwaAngie.

Me.... Angie, Angel.

Ndakadanidzira ndichimu zungunutsa. Aive akati rabada apa mumuromo muchibuda masiriri achiita
kukwevera mweya mukati. Maziso aive akaita kuvhurwa zvakanyanyisa.Aunty vakabva vatanga
kumumwisa mukaka.

Aunty... Handei kuchipatara.

She said vachizama kumuzungunutsa. Ndakabva ndamusimudza kwakutanga kumhanya naye


ndichinobuda panze ndakabva ndaona vabereki vangu vachitoburukao mumota. Mama vakaita
kukanda zvavaive nazvo pasi. Vachibva vamhanya kwandaive.
Mama.... Angie aita sei.

Handina kupindura ndakangonanga naye kumota yavo yavaive vabva nayo kwakumusveta aunty
vakabva vapinda. Mama kwakupinda kune rimwe divi zvekare. Baba vakabva vagara mberi. Ini
ndichibva ndaisimudza mota. Munzira hapana aitaura neumwe mama ndivo vaichema baba naaunty
vachimwisa Angie mukaka. Ndaifambisa mota zvekuti ndega ndainyatsonzwa kuti tikadhumira pane
imwe mota hapana anorarama.

Ndichingomisa mota pachipatara baba vakabva vatotakura mwana wavo vakananga naye mukati.
Takateera tese tichimhanya. Angie aive asisa femi zvinonzwika uye aive angiti rabada. Akatorwa
nemanurse akaendwa naye tese tikasara panze.

Ndakatanga kufamba famba ndichiita semunhu ane chaarasa chaari kushaya. Daddy vakabva
vabvunza mubvunzo wakandirovesa nehana.

Daddy.... Aita Seiko chii chaitika.


Ndakaramba ndakanyarara ndichingotura mafemo.

Daddy.... Aunty ndati mwana aita sei.

Takabva tatarisana naAunty vachibva vatsikitsira kwakuti...

Aunty.... Ndandaenda kumashops pandadzoka ndangomunzwa achigomera mumba make.

Daddy..... Daniel aita sei mwana.

Me... Handizive daddy ndandakarara.


Ndakatanga kufunga kuti kana vakaziva kuti anwa poison vachada kuziva kuti zvazvaita sei kuti
azonwa poison. Iwe fungwa yakazonditi ko kana akafa. Iyoyo fungwa ndakakasira kubvisa ndaisada
kufunga nezvayo.

Ndakatanga kufunga kuti zvikanzi ipoison aunty vachambotorwa nemapurisa zvonzi ndimi mamupa
aunty vonotaura chokwadi chavo chete. Ndakatanga kufunga Nhema ndzekuzotaura kana
ndabvunzwa asi Nhema dzakaramba kuuya. Misodzi ndiyo yaingoita makwikwi kuchururuka.
Ndakazonzwa ndabatwa bendekete.

Daddy.... Daniel don't worry she Will be fine.

Me..... If she die I won't forgive myself.

Daddy.... Why
Vakataura vandiregedza bendekete. Vachida kutonzwa nyaya ndakashaya kuti ndotii kutaura
chokwadi ndakangoerekana ndataura ndisina kumbotanga ndafunga. Hana yangu yakarova
ndichizama kutsvaga nhema dzekureva asi handina chakauya mumusoro mangu.

Daddy..... Daniel am talking to you.

Ndakabva ndatanga kungokakama. Misodzi ichibva yawedzera kubuda chandakakwanisa kuita


kungobva pavaive ndichimhanya kunopinda mumota.

Ndakaimutsa ndichibva ndairobva ndakananga road yekushow ground misodzi ichiita kuyerera.
Muroad ndaingoridzirwa mabhero asi ndaisambo zvitarisa. Ndakadarika show ground ndichingo
mhanyisa mota. Ndaingo driver misodzi ichiyerera chero pamapurisa handina kumira. Ndakapinda
muNorton nguva dzaenda kwakutanga kusviba foni yangu yakabva yatanga kurira. Handina kuibata
nekuti ndaiziva kuti vaive daddy. Ndaive ndisati ndave kuda kupindura mibvunzo yavo. Uyezve
ndaive ndisati ndave nemhinduro.

Ndakaenda pane rimwe bhawa kwakuburuka ndichibva ndaenda mukati. Ndakanotenga doro
rakawanda. Muupenyu hwangu ndaive ndisati ndambonwa doro. Ndakatakura doro Riya
ndikanoriisa mumota ndakabva ndavhara madoor kwakutanga kurimwa. Ndakanwa Doro semvura
ndichiita kudhudhudzira.
Handina chinhu chandaifunga panguva yacho asi doro chete. Nguva dzakafamba ndichingonwa doro
ndakatanga kunzwa kutenderera musoro ndidzo nguva dzandakapinda mukati kuti nditenge rimwe
futi doro. Ndakapinda mubhawa ndichiita kutadza kumira. Ndakabva ndaenda pacount. Ndikaisa
Mari ndichibva ndati...

Me..... 1 six packs

Mumwe murume akabva andibata bendekete kwakutanga kutaura neni akabata Mari taive isati
yatorwa.

Him..... Mukuru stress haipedzwe nekunwa doro nekuti mangwana munofuma muchingori musame
situation.

Me.... Handina stress. Iwe ndipe doro.

Him.... No usasamupa.
Ndakada kuti nditaure musoro wakabva watanga kubanda. Ndikakotama ndakaubata. Ndakada
kusimuka zvikaramba ndakangokwanisa kuscreamer. Murume uya akabatsirana nevamwe vaviri
vaiva pedyo naye kundiendesa kumota akanondiisa kuma Shure foni yangu yakabva yatanga kurira.
Akatora foni murume uya kwakutaura nemunhu aive afona .

Him... Hello

Zvaitaurwa nemunhu akafona handina kuzvinzwa.

Him.... Yes ndinaye, asi nestate yaari handinga mbomusiye saka ndipei address ndouya naye.

.........................

Him.... Okay kuNorton soon tetasvika. Bye.


Yakakatwa foni achibva apinda side radriver kwakumutsa mota.

Yakarohwa mota yakananga Harare. Aisanyanya kumhanya zvake, aifamba zvakanaka. Takapinda
mutown achibva ananga kwedu kumba chaiko akanomira pagate. Rakabva avhurwa gate. Vakabuda
mumba vabereki vangu asi mumaziso angu ndaivaona vakawanda.

Mom.... Vana vaRichard munondi tambudzireiko.

Vakataura Mai vachichema vakamura padoor remota. Murume wandakabva naye akabatsirana
nababa kundipinza mumba. Ndaingoona sekuti pese pandinoda kutsika pane goma.

Ndakagadzikwa musitting baba vachibva vagara padivi pangu.

Daddy.... Chii tell me my son


Murume wandaive ndabva naye akabva adairira

Him.... Apa muri kutotambisa henyu nguva dai matomuendesa kwaanorara mangwana anomuka ave
bhoo.

Daddy.... Haaa zvakaoma.

Him..... Ini ndakuonai regai ndiende.

Daddy.... No mwanangu tatogadzira imba yekuti ugorara.

Daddy vakandibatsira kuenda kunorara mumba mangu......


End of chapter

10

.. Daniel..

Angel , Angel, Angel Zita rake rairamba richingorira munzeve dzangu. Kubva ndichiita vasikana
muupenyu hwangu ndaive ndisina kumboita wandaida saAngel.

Pamazuva andakatanga kuita mafeelings naye ndinoranga rira kuti ndakatanga kuita vasikana
vakawandisa asi handina kumbobvira ndamitisa. Ndaitodao chose kumitisa kuti nditizirwe asi
hazvina kuita sekudero.

Pane imwe nguva ndakambofunga kuroora asi ndaiti ndikangofunga Angel ndainzwa kurwadziwa
kunzwa kuti ndamutadzira zvakanyanyisa.
Ndichipepuka ndakatanga kunzwa kunhuwa kwesvina. Pandakada kuti ndimuke kudai musoro
wakabva wabanda. Ndakatanga kubata Bata kwakuona kuti ndaive ndazviitira svina. Ndakabva
ndarangarira mashoko akambotaurwa naAngel.

"I will never get married kumunhu anonwa doro kana kufuta fodya"

Ndakabva ndanyanya kurwadziwa ndaive ndatoona sekuti azviona zvandaive ndaita ndakabva
ndatozviudza kuti handifi ndakanwa Doro zvekare.

Mom vakapinda vakabata tray. Vachangopinda vakabva vamira

Mom.... Pinda mubath ugeze ndichikuwaridzira.

Me.... No mom isai tray apa mubude I will be fine endai munoona Angel.
Vakangonditarisa kwakugutsurira musoro. Vachibva vabuda. Ndakakweva tray iya kwakunwa
mukaka ndichibva ndazodya chikafu chaivemo. Ndapedza ndakaburuka pamubhedha ndichibva
ndatsika marutsi shit. Ndakanyatsoona kuti ndakabhaiza.

Ndakabva ndakurura zvandaive ndakapfeka kwakupinda mubath. Ndakanyatso Tora nguva yangu
ndichigeza. Ndapedza ndakabva ndatora shot rangu kwakubvisa svina yaivepo. Ndakabva
ndakorobha marutsi. Ndichipedza ndakabudisa machira ese panze ndichibva ndatanga kugadzira
mumba mangu. Zvebasa ndaigona zvangu ndaiziva zvandinoita. Mumba makanyatso chena.
Ndichibva ndaenda panze kunowacha machira angu. Ndapedza ndakudzokera mumba ndakanogeza
zvekare kwakuchinja ndichibva ndatora makey emota yangu kwakubuda.

Ndakananga kuchurch. Yes ndaipinda AFM ndakasvika muchurch ndichibva ndafugama ndikatanga
kuchema. Ndakachema kusvika shungu dzapera ndichibva ndazotanga kunamata. Ndakanamata
zvekuti ndega ndakanyatsonzwa kuti izvi zvasvika izve. Munhu wandainyanya kunamatira ndiAngel.
Ndapedza ndakanyatsonzwa kusununguka.

Ndakanopinda mumota ndichibva ndarriver ndakananga kuchipatara. Ndakasvika ndichibva ndagara


panze visiting yemasikati yaive yave kukwana. Kwasara 10 minutes kuti ikwane ndakatanga kufamba
ndichienda kuward. Ndakasvikoona doctor wandakasiya achirapa Angel.

Doc.... Hi Mr Daniel
Me.... Fine, how is she.

He signed kwakuzoti.

Doc.... I hope anorarama.

Me..... Chii doc

Doc.... Poison yaakanwa iri very dangerous akatoita luck remukaka waakanwa otherwise dai akawika
atofa.

Me.... So yakabuda here poison.


Doc.... Yes but not yese pane zvatakamirira kuti tigo bvisa yakasara

Me..... okay

I said paya, then tichibva taparadzana ndave kupinda muICU maive naAngie. Ndichingopinda
ndakabatwa neshungu zvekuti I couldn't control myself ndakatanga kuchema ndakamutarisa. Aive
akaiswa matubes hobho.

Ndakazongonzwa ndabatwa bendekete. Ndakacheuka ndichibva ndaona vari bamukuru baba Never.

Vaive vakangozvarwa vari vatatu chete kuchitanga bamukuru baba Never, vaigara kuBulawayo vaive
vana vavo 3 (Never, Noman, Natasha) . Koteera Tete Mai Tiara vaigara kwamutare vaine vana vavo 4
( Tiara, Therresa, Thomas naTino) kuchizopedzisira baba vangu.

Ndakatendeuka ndichibva ndavahaga ndikatanga kuchema I tried kuita semwana mucheche ndiri
mumaoko avo. Daddy vakasvika vakandipuruzira kumusana. NaTete vaivepoo vakabata mama ruoko.
Vangu vekumba kwedu vaive vakabatana handidi kunyepa.
Ndakamhoresa vanhu vese. Tichibva tabatana maoko kwakutanga kunamata. Pakanamatwa kwete
zvekutamba. Tapedza Noman akabva andibata ruoko kwakuenda kumota kwangu.

NaNoman taive takaendana ndaive muhombe nemwedzi mishoma shoma. Akamutsa mota tichibva
taenda kumba. Hapana aitaura neumwe. Ini ndaitove nezvandaifunga. Stress yaive yakandiwandira
zvekuti chero kuziva kuti tasvika kumba handina ndakatozoita zvekuzungunutswa

Noman... She will be fine don't worry.

Takapinda mumba vamwe vaive vatovemo. Ini ndakangozvi nekunorara mumba mangu.

Pasina nguvandakanga ndave kubatwa nehope. Tete, mama, nana baba vakabva vapinda. Mama
vakandipa chikafu ndikachiramba. Ndaidya sei umwe wangu aine nzara nhai

Tete.... Nhaiwe Danny ukarega kudya anotononoka kumuka, unomunamatira sei nenzara muka
tone.
Ndakamuka nekuti Tete vangu vaisaitirika nharo vaitoveo handibviri chaiye. Vakabva vagara padivi
neni kwakutanga kundipaka chikafu ndakadya kusvika ndapedza, canhu vachiita nyaya vachiseka.
Nyaya dzainyanta kutaurwa ndedzeudiki hwangu naAngie zvataingoita zviri funny. Tete vakabva
vapinza yavoo yakandisetsa.

Tete..... Vana vako baba Daniel vakagara vachidanana nekunzwanana. Pane pavakambouya kumba
kwangu Angie ane 2 yrs uyu Daniel aive grade 2. Angie akabva azviitira tsvina kkkkkk kaivao
neuchapa ka kaya. Ndikatanha shamhu , Daniel kwakuuya achimhanya kubva kwaaive hanzi Tete
usarove mwana. Ndichingomuti shamhu 1 bhudhi hameno kuti mwana wako akawanepi bhodhoro
kwakuuya naro kusviko nditema mumusoro. Ndakayuwira Kani. Ropa richibva ratotanga kubuda. Iye
kwakutora hazvanzi yake nayo kumashops nesvina yake, akanotengerwa masweets. Kwakutotanga
kutamba ikoko. Moziva zuva rakasvika pakunyura vana vasina kudzoka. Ndakatsvaga ndikaneta.
Kutodana vanhu kuti vabetsere kutsvaga. Kuma 8 ndiko kwavakazonhongwa kuseri kweshop
yaSimba iya vakatorara hope imi ndakanga ndanzwa nekuchema. Kubva ipapo handina kuzomurova
futi.

Daddy.... Angie akamborovera laptop pasi ndichida kurova Daniel vabudisa mweya mumavhiri
emota unoziva unopusa so apa kaive katobata futi foni kuti karovere pasi kkkkkk.

Vanhu vose vakamboseka. Ini ndakabva ndatonyanya kusuwa Angie kwacho zvekuti fungwa dzangu
dzakaenda kure kure.
Tete..... Ko makuchema zvadii zve nhai baba vemusha. Tibvire uko nyarara tone kasira ndisati
ndakurova nhasi hapana anokurwira.

Vanhu vakamboseka ndichibva ndasimuka kuenda kuchimbuzi. Hapana chandaida kunoita asi
kungotadza kugadzikana nenyaya yaAngie.

Ndakatozoita zvekunokerwa NaTete

Tete..... Maita mudumbu here nhai baba vanhu ndiuye nemvura.

Tete vaingove munhu akasununguka. Ndakaenda mumba maive nevanhu. Bamukuru vakabva
vagadzirisa pahuro kwakuti.
Bamukuru..... Ko iwe nyaya yatiri kunzwa NaAunty Maka iyi.......

Hana yangu yakati bamu...

End of chapter

12

Ndakatanga kuteera kumashure asi ndaive ndaita kunonzi kupererwa chaiko kuti nditi vaive vamira
kwenguva yakadii handina kuziva.

Mai vangu ndaivada. Ndakavatarisa ndainyatsonzwa kuti ndine zvese zvangu. She was a good
mother
Ndakateera ndikawana vatombundirwa nadaddy vachichema. Mama vangu vaoyema ndozvavaive
and I always wanted mukadzi akaita saivo. Vaisada zvemashamwari best friend yavo aive murume
wavo. Vaive munhu anofara nguva dzose uye vaiwirirana navamwene vavo zvinhu zvinonetsa
kumhuri zhinji I was proud to call her my mom.

Hunhu hwavo vaive vakahupa mwana sikana wavo Angel uye ndaiti ndikango zvifunga ndainzwa
Moyo wangu kuenda kure kunzwa kumuda kuimaginer akatakura nhumbu yangu kuimaginer ndiri
pamusoro pake.....

Ndakabvaiswa mundangariro namama vakati.

Mom.....Ndakakutadzirei mwanangu hee.

Ndakaramba ndakanyarara.

Mom.... Sure ungashinga kunoudza aunty matambudziko ako uchisiya Ini Mai vako.
Daddy... Chiiko Mai Daniel taura nyaya yako.

Mom.... Uyu anga achiudza aunty kuti

And zvaakaita Angie ndavanzwa Ini aunty vachibvunza kuti ko akafa unodii asi Ini Mai vake haana
kundiudza.

Daddy.... Haaa memory siya mwana hona wave kumuitisa stress pane zvimwe zvinhu zvaunoziva kuti
hazviudzike vabereki anoziva kuti achazvogadzirisa ega.

Mom..... If my daughter die I won't forgive you.

Daddy.... Chienda Daniel vasiye vakadero I will talk to her hanty.

Ndakabuda ndichiita kupetsvaira. " If my daughter die I will never forgive you" mashoko aya
akaramba achingodzoka mumusoro mangu.

I really really love Angie.


Aunty.... Hanzi chii Vazvinzwa here.

Ndakadzungudza musoro. Ndichibva ndafamba kuenda kuroom kwangu ndakasvika foni yangu
ichirira. Nestress handina kumbotanga kuti angave ani ndakangodaira kwakuisa panzeve.

Voice.... Ndeip Dany svika kuhospital hazvanzi yako yamuka.

Ndakasvika foni panzeve kwakutarisa munhu aifona kwakuona vari doctor vaya. I smiled
ndichinhonga makey kwakubuda. Aunty vakambozama kundijaidza asi handina kupindura
ndakanopinda mumota kwakumutsa ndichimhanya. Andina kutora nguva ndaive ndasvika.
Ndakafonera doctor vaya vachibva vauya kuzonditora.

Takapinda takadunga midzana. Ndichingaoona Angie ndakabva ndamumbundira. She started crying.

Me.... Shiii you are back to life.


Angie.... Ndotarisana sei namama nadaddy.

Me..... Aunty Havana kumborara so relax hanty. Kana ukabvunzwa kuti wakamwirei mushonga just
say handizivi pane chaingondipusha nekuti ndaive ndakatsamhira Daniel Aida kuenda kuDubai.

She nodded ndichibva ndati.

Me.... Please Angie act normal hanty.

Angie.... Promise me kuti you will never touch me again.

Me.... I promise.
Takabva tatarisana mumaziso. Ndakatanga kunzwa kuda kiss. Ndakatanga kuswededza musoro
wangu paari zvishoma nezvishoma kusvika ndanzwa munhu akati.

Nurse.... Sister mukufanira kuzobaiwa injection manje manje.

Ndakaita kuvhunduka ndichimira nurse vaya vaive vatobuda zvekare

Angie.... I love you

Akataura akanditarisa.

Me.... I love you too. Regards ndifonere vana mama vauye.

Angie... No not now I need you


Ndakamutarisa ndichibva ndangokweva cheya kwakugara pasi but Moyo waisada ndaitya kuzowana
ndichimukisa nekuti kutaura chokwadi Angie aindiisa pamuyedzo unonetsa kukunda. Ndakagara
paya achibva atora ruoko rwangu kwakuisa pachifuva chake. Ndakatanga kungonzwa kuda
kurufambisa. Akabva and bvunza mubvunzo.

Angie.... Ko Cynthia wakamuudza here kuti ndiri muchipatara.

Me.... Am sorry Angie ndakakanganwa sorry hako.

Angie.... It's okay usasa muudze anozoku tsamwira plus anozoda reason yandakamwira mushonga
aaaa siyana naye I will talk to her ndabuda muno.

Takabva tatanga kutaura dzimwe nyaya dziri general tichiseka. Ndakamuudza zvese zvakaitika.
Pekumwa doro ndakamuudza ndapedza ndichibva ndati...
Me.... Am sorry Angel I was confused I promise I won't do it again.

Angel.... I am also sorry for what I did ndandashaya zvekuita Daniel. Ndaishaya kuti ndotarisana sei
namama Daniel.

Me..... It's okay but promise me kuti you won't do it even day richaziva munhu wese kuti I have
feelings for you.

Angel..... Daniel please let's stop this one of us can die 1 day.

Me.... I can promise you today kuti tarega because this is a feeling Angie. Ndotodai kusiyana newe
and I have tried so many times but zviri kuramba at first ndakamboita magirl friends hobho asi
zvakaramba. So I can't promise you but I will try my best to avoid that.

Angie.... I developed the same feeling kubva last year and thus the reason why ndisina relationship
inogara.
Me.... Maybe it's because we are not related you never know.

Angie..... Never we are related Daniel gogo told me that mama vakabviswa umhandara kumusha
muroom yadaddy iya and everyone was there even vana Tete. So it can't be but I think pane arikuti
batira mushonga.

Me.... Kana wadero zvogona maker sense. But this person haasi gogo kana Tete kana bamukuru I
know those people very well.

Angie.... I think i Hama dzamama remember mama was raised ku orphanage ka so vana sekuru
pavakanzwa kuti mom vagara zvakanaka they come vachida kuchengetwa and mom refused I think
there is something wrong zvavanotiitira.

Me.... You have a point but the question is what do we do.

Angie.... I don't know.


Me.... What if we go kumadzibaba.

Angie..... Mom havazvifarire zvemadzibaba.

Me..... This is our problem Angie. No one will know about it.

Angie.... Okay I can't wait kubuda muno because zvikoro zvavhurwa soon ndendakuenda kuchikoro.

Me.... Okay ndakumbonofonera ana mudhara we act like hatina kumboonana handi.

She nodded and I left. Ndakapfuura ndichipa doctor uya Mari.


Ndakapinda mumota foni yangu ichirira it was mom. I answered zvikanzi.

������

Mom.... Am sorry for what I said my son it was out of anger please come home

She said nevoice rainzwikwa kuti munhu arikuchema I felt sorry for her

Me.... Mom am fine ndini ndanichifana kutoti sorry am in town Moda kuigirwei

Mom.... Anything pie iribhoo.

Me.... Okay Mom love you please don't stress daddy hanty.

Mom... Okay bye


Daddy... Ndakuudza kuti he is fine chiuya udye tone tinoona mwana.

I overheard daddy vachitaura kuna mom. Mom vangu ndozvavaive vaiyema kkkkk. I then decided to
call the doctor kuti vaudze mom kuti ndamuka. But ndakabva ndarega ndakaona kuti doctor can
suspect something. Ndakagara dzinenge 30 mins kwakufonera futi kumba.

������

Mom..... Hello my boy

Me.... Mom hanzi Angel amuka.

Mom.... Watii chii.

Me.... Angie amuka mama


She screamed zvekuti ndakatokata foni nekuda kwenoise yandakanzwa.

Ndakabva ndafunga kumboenda kumarondera. Ndakasvika ndikasvaira kwakurongedza mumba


mangu after that ndakagara zvangu ndave kuona bhora. Foni yangu yakarira it was Angel...

Me... Hello my Angel.

Angel.... Zvandaitwa na.....

Zvakataurwa ipapo zvakndivhundutsa.

End of chapter

11
Musoro wangu wakatanga kutenderera. Ndaive ndave kufunga kuti zviya aunty handina kuzowana
nguva yekutaura navo ndakango kwanisa kuti

Me.... Shit

Bamukuru..... Iwe chimbomira zvekufunga hazvanzi yako uterere zvandiri kukuudza. Hanzi nezuro
makabuda mese mukadzoka zvakanaka naka. Angie akanozvivharira muroom make. Iwewe NaAunty
mukatosara muchiita nyaya muchiseka ndizvo here.

Ndakango simudza musoro ndakatarisa vanhu vaivemo ndipo pandakaona aunty vakamira
vachindipa sign yekuti ndibvume. Moziva ndakavatenda nechemumoyo,

ndichibva ndati

Me.... Yes daddy.

Bamukuru.... Good so I want to ask kuti hapana here zvimwe zvamakakanga nisirana zvinogona
kunge zvakakonzera. Kuti tigowana kumubatsira zvakanaka.
Ndakaramba ndakanyarara ndichishaya kuti ndovati chii.

Tete.... Chii zve waakuchema.

Ndakabva ndafunga zvekutaura ndichibva ndati.

Me.... Ndakangomuti ndakabuda muzim kuenda kuDubai for good. Akanditsamira I thought kuti
kwaingoveo kutsamwa kwekutamba ini plus I didn't mean it.

Vanhu vese vakaseka.

Tete.... Asi vana vavo havakuri iwe sure aaaaa ndoda kukarova kana kamuka. Daniel mwanangu
don't worry about your sister she will be fine hanty.
I nodded zvikanzi nadaddy.

Daddy.... Saka ndizvo zvakaita kuti umwe doro.

I nodded again zvikanzi namama.

Mama..... Do you know kuti ndakarara kuchipatara BP yakakwira because of alcohol. ZvaAngie
ndandazvi gamuchira believing kuti she will be fine soon.

Me.... Am sorry mama

Mama..... I forgive you because wazomukira kuchurch.


I looked confused hapana wandaive ndambooneka. Vese vakabva vaseka.

Daddy..... Someone was following you today.

Me.... Why

Mama.... Tatichitya kuti uchazvisungirirao.

Me..... Am sorry for yesterday.

Everyone.... It's okay

Noman..... But bambo musatendera kuti stress ikutambei zvekudaro kkkkkk.


I smiled

Bamukuru..... Mai vabva vasvika handei togara kusitting. Tichigadzirira kudzokera kuvisiting
yemanheru

Takasimuka tese Tete vachibva vandibata bendekete zvikanzi.

Tete..... Chiitai muroore bambo zvekuyema zvichipera izvi.

Hana yangu yakaita kuti bamu. Handina kukwanisa kupindura ndakangoseka. Takasvikirana nagogo
musitting.
Gogo..... Hee munoda kundiuraya neBP here vana vaTinashe heee.

Ndakaenda pavaive ndikavambundira.

Gogo.... Haiwa ibva pano heee monyepera kundida vana imi heeee ibva apa

Vaidero vachindisunda Sunda Ini ndakaramba ndakagara ndichibva ndavati.

Me..... Gogo musandidero Kani ndikuda kurara pamakumbo. Itai kudai

Gogo..... Haiwao.

Daddy.... Makadiiko mhai.


Gogo... Handina kana mufaro nezvandinoitirwa nevazukuru vangu Ini.

She started crying ifelt guilty misodzi yangu yakabva yatounganao. Ndakatanga kuvapukuta misodzi.

Tete.... Mhai uyu wamuri kuchemera anotozonwa doro akaita stress saka chitoshingai.

Gogo..... ( Vachindibata ruoko zvakasimba.) Iwe utori neyako yekudhakwa. Ndipe mugoti. Anonzai
uya... Iwe Maka, maka, maka huya nemugoti

Aunty vakauyao vachifambisa nemugoti. Ndaifunga kuti varikutamba. Ndakazokanuka mugoti


watondimhara. Vanhu vese vakabva vaseka. Ndakabata mugoti uya tikatanga kukikiritsana navo
vanhu vachiseka. Daddy vakazoti tichipinda mumota tiende kuchipatara.

Gogo..... Ini ndoenda nevarume vangu. Tiri toga imi wonai yekutamba.
Me.... Gogo Moda kuwana kuzondigogodza musoro handidi

Gogo.... Unomuona mwana wako Tinashe..

Daddy.... Musandipinze munyaya dzema couples please

Gogo.... Urwuo urwu. Kapuru kapuru yadii tambo taura zve Tea here isu.

Vanhu vakaita sevachadambuka mbavhu nekuseka. Gogo was too much henyu.

Takaenda tikanopinda mumota Noman ndiye aidriver gogo vakagara kumashure neni.
Gogo.... Vazukuru ndoda kuti munditererese handiti.

Takagutsurira musoro.

Gogo.... Zvamunoona vana vevasikana ava, ndoreva hazvanzi dzenyu idzi, kuita mazamo kureva kuti
vakura vave kunyengwa. Pamwe ndikato kubvunzai vasikana venyu vadiki kuhazvanzi dzenyu Saka
musati mukaona hazvanzi dzanyengwa motandanisana nevakomana vavo kuita sekuti
munovaroora...

Me..... Ko kana richida kuvaroora.

I said jokingly ndichibva ndapiwa kambama vachiseka vese naNoman.

Gogo.... Mumusoro mako makazara mvura handiti.


Me.... Sorry gogo. ( Ndakataura nekuti ndaive ndashunywa nzeve)

Gogo.... Musanyanye kuvateverera regai vanyengwe vose zvavo vazukuru vangu hapachina
asingagone kumisa imba yake. (Vachireva Ini) sewe wakafita kushusha

Noman akaseka achibva ati.

Noman.... Gogo tazvinzwa ( achitaura neni) shaa ndodaoka tumasimbi twemunomu.

Me.... Don't worry chibaba tumasimbi hobho ndichanokuratidza.

Gogo..... Kumasimbi unoda kuvakeiko nesimbi asi wafunga kuita zvehuku here. Sure masimbi emuno
akachipa unototenga akawanda ukanogadzira chirungu...

Havana kupedzisa zvavaitaura taive taoma nekuseka. Ivo vakatotitarisa vachishaya kuti tosekei
Gogo.... Ko zvadii zvee.

Noman.... Gogo inyaya dzevasikana idzi

Vakabva vaseka zvikanzi.

Gogo..... Heya.

Takasvika muchipatara vana daddy vachangosvikao. Takabva tadungamidzana tichinoona Angel.

Takawana asati amuka. Gogo vakanamata tichibva tazobuda

Ndakudzokera mukati ndikanotaura naDoctor.


Me.... Doctor ndokumbiraoka muudze vabereki vangu kuti kana amuka vasakasire kumubvunza
chakaita anwe mushonga uyezve ndokumbirao kuti akamuka mundifonere dakumuona before
everyone $500 US deal.

Doc.... Deal.

Ndakabva ndamutambidza 400 imwe ndakati ndichamupa kana zvese zvafamba mushe.

Days passed Angel asina kumuka daddy vakange vave kuenda kubasa. Ini namama taive tisati
toenda. Gogo vaive vadzokera vese nana Tete vaive vadzokera. Ini ndaive ndisinga nyatsokudya.

..After 2 weeks..

Angel was still asleep. Ndaive ndaonda nekumufunga. Rimwe zuva Ari makuseni mama vakabuda
nadaddy. Ini ndichibva ndaenda kunodziya mushana kuseri kweimba. Ndakaona aunty vasvika
vachibva vagara.
Aunty.... Nhai Dany

Me ..... Aunty

Aunty.... Chii chiri kuitika pakati pako naAngel I mean how could you kiss your own sister Daniel

Me.... Am sorry aunty

Aunty.... Am sorry don't solve anything Daniel. What happened to you Daniel wandoziva haana
hunhu ihwohwo.

Ndakango tsikitsira ndisina kupindura.


Aunty.... I don't tell anyone not because I support you but because I love your mother. Vainzwa sei
dai vakasvinzwa. Kana kuti dai varivo vakavhura door. Hee consider mother in everything you do
Daniel wanzwaka.

I nodded...

Aunty.... Ko akafa Angie what will you do. Unozozviregerera here .

Voice.... Daniel how could you heee.??

Ndakarohwa nehana ndichiona Mai vangu vakamira pakona yeimba vakajenga misodzi. Pandakada
kuti ndisumuke ndivateere vakabva vatanga kumhanya vachienda mumba ndakashaya kuti vaive
vadzoka nguvai

End of chapter

13
..Angel..

Kana mweya wekufa wakubata. Unoona sezvinhu zvakanyanyisa kunaka. Reason yekurarama
unoishaiwa. Seni zvangu ndainyatsofunga mama vachiudzwa zvose naAunty. Zvavaizoita mom
handina kuda kuzvifunga musoro wangu waiita kutenderera.

Ndakamhanya kunotora mushonga waive muroom mamom. Ndikaunwa wese papera nguva diki diki
ndakatanga kurwadziwa. Ndakangozotanga kusaziva zviitika.

I woke up in hospital padivi pangu paine umwe murume.

Him..... Well come back to life.

Ndakango mutarisa, Hana yangu yakabva yatanga kurova ndichifunga zvaive zvaitika.

Him.... Am Doctor Trevor


I nodded then achibva ati.

D. Trevor.... Am calling your brother he said he wanted to see you first paunomuka.

I nodded. In no time akauya Daniel. Ndakatanga kuzvituka nedzungu randaive ndaita. Takataura
zvakawanda akazoenda zvake ave kuno deedza vana mom. Ndakasara ndikabhobatwa nehope
zvakutoenda chaiko. Ndakazomutswa nenoise yamom.

Mom.... Muka muka uudze Mai vako. Akakuita sei Daniel ndimurove.

I just smiled zvikanzi nadaddy.

Daddy.... Wakuda kundiruzisa mombe dzangu ndakatotarisira pauri


I smiled ndichibva ndavatarisa kwakuvamhoresa vese vairatidza kufara. Vakatozoebda kumba kwave
kumanheru. I switched on my foni ndikaudza Daniel zvese zvaive zvaitika after that I called Cynthia

���������

Cee.... Ko wakandi vengereiko nhy mwana wamai vangu.

Me.... Cee am in hospital Daniel aasina nhamba yako dai akafona.

Cee.... Hee what Happened nhaiwe.

Me..... Musoro uriserious how is business.

Cee..... Riribhoo waita munyama Charles was here akadzokera nezuro I wanted you to see my
brother
Me... Am sorry sweetie

Cee.... So how are you feeling now.

Me... Better ndogona kubuda mangwana then ndozouya ikoko next of next week

Cee.... Sharp sisi mom varisei nadaddy.

Me.... Varibhoo havo . Varisei Mai vangu I hope vakafara kuona Jaya ravo.

Cee.... Vakafara zvishoma vaida kuti aende mberi nechikoro manje iye akaramba hanzi mom
hamuzotikwanise tese. Kune present yako kuno yawakaigirwa.
Me.... Ko akarambirei nhai we. Akambogumira pachii.

Cee..... Akaita form 4 akatopasa hako haigona zvakupenga asi madays acho mama vaive vasati vave
kurima yemuregister akatobhadgarirwa nematicha. Umwe neumwe Ticha aingo bhadhara subject
rake so ane 8As.

Me.... Hiiiii nhy we 8As. Yoo zvaaidambura zve. Dai angoshinga aita zvechikoro.

Cee.... Haadi uyo. Ndiye akundibhadharira so hanzi iwe tanga wapedza ndozoendao wave kushanda.

Me.... Hoo ko chindiudza ndakaigirweiko namukoma.

Cee.... It's just a small present uchaiona wauya.

Me.... Thank him on my behalf please.


Cee... Okay dear love you

Me.... Love you too bye.

Cee... Thanks for calling.

Me.... Okay bye.

Ndakakata kwakurara zvangu.

4 days passed ndri muchipatara ndaive ndasimba ndatove bhoo ndisisina kana panorwadza. Mom
nadaddy vaiuya everyday. Daniel agara aineni tichiita nyaya.

Musi wandaifanira kuzobuda Daniel akauya kuseni seni akagara neni tichitaura tichiseka. Mom
ndovaizonditora manheru. Akabuda Daniel. Doc T vachibva vapinda.
Doc T.... Is he your brother or mukundivharira kunze it looks like munodanana.

Hana yangu yakamborova.

Me.... He is my brother.

Doc T..... Okay can I have your number ukuenda nhasi ka iwe.

Me..... I don't give my number to strangers..

Doc T..... Please


Ndakaramba ndakanyarara kusvika aenda. Ndaitonzwa kusvotwa nevakomana. Wese munhu aiuya
pandiri ndaitanga ndamucompeya naDaniel. Daniel was my dream husband.

Kumanheru Vakauya Mai vangu vakachena chena. Ndakatanga kurwadziwa chokwadi kungouya
munhu 1. Vamwe vese kushaya hanya neni ko Daniel zvake nhaimi. Tete Havana kumbobvira vauya
kubva zvandakamuka yes Daniel akandiudza kuti vakauya ndisati ndamuka asi ini ndaingodao kuona
vanhu vachiuya kuchipatara ndakasvinura. Ko gogo nhaimi. Gogo ndaivada nemoyo wese vakatadza
futi kuuya. Ndaizvifunga mama vachisigner mapepa ekuti ndibude. Tapedza takapinda mumota tave
kuenda kumba I was happy kuti ndave kuenda kumba. Ndaive ndasuwa Cythia so ndaida kusvika
ndichingogara zvishoma ndobva ndaenda masvingo. Harare yaive yave kutondibhowa.

Takasvika pamba paine runyararo rwaityisa I guess papasina vanhu. I was bored zvekuti ndaida
kusvika ndichirara. Mom ndivo vaitozoita zvekubika. Takafamba tichienda kudoor. Mom ndivo vaive
mberi tasvika vakabva vamira paside vachibva vati vhura. Ndakavhura ndichibva ndafambira
ndichipinda ndakazongonzwa.

WELCOME BACK ANGEL!!

Ndakapererwa ndichiona vanhu vakaita kuzara mumba. Cynthia was also there ndakaita kuwira
mumaoko ake.
Gogo, bamukuru nemukadzi wavo, ne vana vavo kunze kwaNever nemukadzi wake vaive kuSA. Tete
vakauya nabamukuru nevana vavo ThomasnaTino . Tiara naTheresa Havana kuuya vaive kuvarume
vavo. Daniel nadaddy kozoita vangu vekubasa kwamama nekwadaddy vashoma. Musitting maive
makaita kuzara.

Vanhu vakatanga kuuya vachizondimbundira nekundiita welcome. Pakauya Daniel achindi mbundira
I felt something which was different from ma hug evamwe. That feeling was wonderful kwandiri.

I was very happy I mean more that happy. I thought vanhu vaisandida but I was more than happy to
see everyone. Radio yakatanga kuridzwa vanhu vachibva vatanga kutamba it was good kani.

That was the best party in my life. Nguva dzakafamba vanhu vakasvika pakudzokera kukasara
veukama chete. Takaenda kunorara naCynthia achibva andipa watch yanga yakanakisisa.

Cee.... It's a gift from my brother.

Ndakaita kumujambira that watch was nice. Ndakanzwa kuida kudarika chinhu chese chandaiti
changu. I closed my eyes ndichibva ndafunga Charles his brother though ndaive ndisinga muzive but
ndakamufunga achindipfekedza watch iyoyo. I just smiled. Ndakarara ndakaibata watch iyoyo yaiita
sekuti it was my first time kutengerwa watch.
..the following day..

I woke up kuseni ndikawana Cynthia asisipo pandaive ndakarara naye. Ndakamuka ndikageza
kwapfeka. Ndichibva ndawaridza kwakuenda kukitchen. Ndokwaaive Cee ana Tino naNatash.
Takamboresana paya kwakutanga kuita nyaya. Tino kwana waTete was in form 6 then sisi Natasha
vaive kuNast vachiita accounting vaive vatove mulast year. Well nyaya dzaitsva Cee naNatasha
vachibika Tino achisuka. Ini ndakanzi ndigare pasi.

Vanhu vakazodya vakapfeka vachibva vanogara musitting kuti tinamate. Mom vakabva vandituma.

Mom..... Enda unodana Daniel naNoman tinamate vanhu vafambe nguva dzichipo.

Ndakasvikopinda ndikawana muna Daniel chete.

Me.... Hanzi huyai tinamate ko Noman aripi.


Daniel.... Atoenda kusitting.

Daniel akabva andibata ruoko kwakundikakata ndikanosvira pachest yake. He started kissing my lips
zvakaita kuti ndimudise ka sound zvese nekumubatao. Ndichifambisa maoko angu mumuviri wake.
Ndainzwa kuti ndatopinda mu seventh heaven. Akaramba achindibata zvekuti nzere dzakapedzisira
dzavhiringika zvekuti ndanda kungonzwa kuda kudanidzira Zita rake.

Noman..... Daniel ( akadanidzira zvine ukasha kwakanyanya)

Hana yangu yakabva yatanga kurova zvekuti ndakatanga kunzwa kupera Simba. Noman akasvika
achirova Daniel mbama yekuti Daniel akabva atosvipa mate. Yes zvekurova kwaive kubasa kwake
Noman airova zvaizikanwa nemunhu wese inini nekutya kurohwa ndaive ndangoduka pakona.
Akadzokororwa zve imwe mbama yakaita kuti adonhedze vase raivemo Ini ndakabva nda screamer.

Noman akatanga kufemereka akabata Daniel huro. Haana chaakataura akabva atanga kumurova.
Ndidzo nguva dzakapinda. Bamukuru naDaddy.

Bamukuru..... Noman!!
Vakadanidzira Noman achibva asiya Daniel. Kwakutanga kutaura

Noman.... Daniel how could ......

Ndakaita kunonzi kugadzirira kutiza. Hana ichiita kurova ndakamurira matsoko aNoman......

End of chapter.

14

Noman.... Daniel could you, Daniel!! , Daniel!!

Akabva afamba achimubata futi collar

Noman.... I trusted you I.....


Haana kupedzisa misodzi yaive yave kuyerera. Akamuregedza achibva arova chibhakera kumadziro
zvakavhundutsa vanhu vese.

Bamukuru.... What's wrong with you Noman inyaya yei ko iyoyo.

Noman.... Taura nyaya yako Daniel.

Daniel akabva aramba akanyarara akangomutarisa. Noman akabva amurova imwe mbama. Moyo
wangu wakarwadza. Bamukuru vakabva vabata Noman kwakumurova mbama.

Bamukuru..... Wave kupenga here nhai.

Noman akangobata dama rake achibva atarisa Daniel kwakunditarisa neziso rinotaura achibva
abuda. Vanhu vose vakasara vakatarisa Daniel expecting kuti achataura zvaiitika. Iyeo akabva atora
mbutsu, foni nemakey emota achibva abuda. Vanhu vakabva vatarisa Ini. Inio misodzi yaingoyerera.
Bamukuru.... Chisimuka my daughter come on.

Ndakasimuka vachibva vandimbundira tichibva tafamba tichienda kusitting munhu wese aingotura
mafemo.

Takagara pasi Tino achibva auya akati.

Tino.... Vana sekuru vabuda vese unwe neumwe nemota yake.

Daddy.... It's okay come and sit. Angel tell me what happened.

Hana yangu yakatanga kurova zvekutaura chaizvo ndizvo zvandaive ndisina.

Bamukuru.... Don't stress her baba Dany achangobva kuchipatara. Angel go and sleep. Is tave kuenda
tichafona tichinzwa kuti wave sei. Siyana nemadzikoma ako ndichataura navo.
Ndakasimuka ndichibva ndaenda kunorara. stress yandaiva nayo chero yemunhu mwana arasa Mari
yefees haisvike ipapo. Ndaingotura mafemo. I tried number yaDaniel ichibva yapinda.

��������

Daniel..... Are you okay.

Me.... Yes where are you.

Daniel.... Am safe bye.

Yakabva yakatwa. Ndakabhoikana ndakazama kufona futi asi yakanga yatidzimiwa.

Ndakatanga kufunga first kiss yangu naDaniel. Aindingoresa mapapers ndiri form for achindidzidzisa
kudrawer heart ndichikonewa pandakazogona akaita kuscreamer achiuya pandiri achibva andinama
nekiss. Yes he apologized ndikamuregerera but kiss iyoyo ndiyo yakazoita kuti ndisaite mukomana
coz ndandave kutarisa anogona kukisa saDaniel.
Ndaifunga zvese izvi ndichingo famba up and down zvekuti kupinda kwakaita Cee handina kukunzwa,
ndakango zonzwa andibata bendekete achitaura neni.

Cee.... My dear don't about them they will be fine hanty.

I nodded ndichingofamba.

Cee.... Hey sister forget about what happened let's go tinotamba volleyball panze stress yese
inopera.

Takabuda tikaenda kuseri kwakutanga kutamba. Mom nadaddy vakabva vabudao panze vakagara
padhuze vachiona zviitika. Yes kutamba bhora kwakandibatsira kubvisa stress yese. Ndaive ndave
nemufaro zvekuti ndaitoseka tichitamba hedu. Foni yangu yakabva yarira apa yaive namom.

Mom.... Ndimukoma vako Never fambisa.


Moziva Hana yangu yakanyatsoti bamu bamu bamu. Vana vabamukuru vese vaitongotyisa. Maoko
angu akatanga kuhuta, muviri wose uchiita kakupindwa chando kuri kutya. Ndakabata foni iya
ndichidaira ndaive ndafamba 3metres kubva paive nana mama.

��������

Me..... Hello muko...

Never.... Don't you dare call me your brother, am Never. Where is that think you call a brother.

Ndakaramba ndakanyarara misodzi ndiyo yakabva yatanga kubuda. Musoro uchiita kutenderera.
Never used to love me more than his biological Sister. Pese pandaida kana Mari ndaiti ndikafona
aindipa. Kungoti aive akaroora mabasa chaiwo. Muroora wangu paive nebasa. Aisada hama
dzemurume kumba kwake. Kana zvekutaura nevanhu pafoni aisada aida life yake nemurume wake
nemwana wake.

Never.... Hey you bitch am talking to you.


Ndaive ndisina kuona kuuya kwakaita mama. Vakasviko nditorera foni. Vachibva vaisa panzeve.
Ndakamhanya kuibvuta ndichibva ndaikata nekutodzima.

Mom.... What's going on Angel.

Handina chandakataura asi kungotura mafemo nekufamba ndichibva pavaive. Vakabva vandirova
mbama yakasimudza baba pavaive vakagara.

Daddy.... Mai Daniel you can't solve anything nekurova munhuka.

Vaitaura vachibaya baya foni yavo. Ndakanzwa yakurira ndikaziva kuti pane aifonerwa. Bamukuru
vakabva vadaira foni.

Daddy..... Never afona kunopafoni yaAngel akatanga kupopota mukoma. Handichaziveo kuti vana
Ava vanoda kuti ndidii.

Bamukuru.... Don't worry zvopera Mira ndisvike kumba hanzi Noman atosvika. Ndinzwe kuti chii
ndokufonera.
Yakakatwa foni daddy vachibva vatanga kufona zvekare. Yakabva yadairwa namukoma Never Hana
yangu yakatanga kurova zvakaipisisa.

Daddy.... Eeh mwangu kwakadii ikoko.

Never.... Mudhara makadiiko.

Daddy.... Ndofara arisei muroora nemuzukuru.

Never .....vanofara Ava varikumba havo.

Daddy.... Good ko wambotaura nevanin'ina vako here vanga vachirovana kunoku. Hapana ataura
nyaya yacho Saka pekutangira ndopatashaya.
Never ..... Iyo siirai mumaoko angu. Ndichaipedza ndega zvangu. Varisei momz.

Daddy.... Vanofara Ava. Ndeyeiko nyaya yacho.

Never.... Haa ndedzevasikana don't worry ndoipedza

Daddy.... Ko uyu Angel arikuchema hanzii.

Never.... Daddy don't worry ndoipedza don't worry mangwaka.

He just nodded vachibva vakata, ndakatomboda kuseka sure munhu angagutsurira musoro pafoni.
Pavakakata foni he was worried. Ini ndakabva ndatora foni yangu Kuna mama kwakuenda mumba
mangu kunorara. Infact kunofunga. Cee akateera achibva avhara door kwakugara pamubhadha.
Cee..... What's going on nhai Angie.

Ndakamutarisa ndichibva ndawira pamakumbo ake kwakutanga kuchema. Ndakachema kusvika


hope dzabata. Ndakazopepuka ndakafukidzwa Cee akagara padivi pangu. Ndakada kusimuka
musoro uchibva waita kunonzi kutema, kubanda chaiko.

Cee.... Wait Mira ndikutorere mvura nefood udye.

Akauya nazvo ndikadya ndichibva ndanwa papills kwakumbogara takanyarara. Mom vakabva
vapinda vakabata foni yavo.

Mom.... Ooh foni Never anoda kutaura newe.

Hana yangu yakabva yarova zvekurevesa. Ndakatambira foni iya ndichihuta. Yaive yakaiswa paloud
Me...hello mukoma.

Never.... Iwe handidi kupedzerwa nguva netunyaya tusina basa. Ita foni yako on ndine zvekuita ka
ini. Musanditume kukwira kuuya ikoko.

Me.... Okay yayapera Moto.

Foni iya yakabva yakata. Ndakanzwa misodzi ichibuda so. Mama vakabva vandibata chirebvu
kwakundi simudza kuti ndivatarise. Maziso avo aive akazara misodzi.

Mom.... Tell me my daughter what is happening.

Kana ndimio ndaipindura kutii ipapa. Ndakamuka ndikatora foni yangu pachanger ndichibva
ndabuda mumba muya ndave kuenda kuseri kweimba. Ndakanogara kumachairs ekupool ndichibva
ndaenda kuwhat up. Kwaive nemacharts mashoma. From Natasha, Never naTete.

� Natasha.... I thought you are a good person, I thought une tsika nehunhu. Tell me dzimba ngani
dzawakaputsa nekuti kana munhu achikwanisa kudanana nebrother yake what more varume
vevanhu I think unotoita vekuchinjanisa. I see the reason why wakaramba kudzidza muharare. Uri
hure remunhu. Haugone kuvhara makumbo ako nei. Ndikuuyako mangwana dzima foni asi ndoda
kuona kuti uchatiza kusvikepi. Imbwa, hure, njoki.... Nxaaa

�Tete.... Angel zvawakaita hazvina kundifadza I love you mwana wehazvanzi yangu. Usanwe
mushonga if anything is wrong come here hanty. Tete loves you babe.

� Never..... Kana usina basa ne reputation yako at least try to avoid kukanganisa reputation
yevabereki vangu. Kana wada kuhura hurira masvingo hapana anokubvunza not in my father's
house. One more thing from today onwards don't consider me as your brother you don't exist in my
life.

Ndakabva pawhatsapp ndikatanga kuchema ndakachema zvekubudisa voice chaizvo. Ndaive


ndarwadziwa. Ndakazvituka muupenyu hwangu handina kumbenge ndaita zvekudanana
nevakomana hobho . Ndakangoita vakomana 2 umwe wacho haana kumbobvira andikisa kana hug
zvayo umwe wacho ndakamuramba andikisa ndisingade.

Handina kumbobvira ndanyengwa nemurume wemunhu. So zvandainzi hure zvaindirwadza. I


started blaming Daniel sure kunditiza panguva yandainyanya kumuda nguva yandaida rubatsiro
rwake.
Mom..... Angel if you don't tell me what ever chiri kuitika I will kill myself now.

Ndakasimudza musoro kwakuona Mom vakabata zibanga zihombe vakazvitendekera. Hana rangu
yakabva yachinyatsorova manje......

End of chapter

15

Ndakaramba ndakavatarisa. Vakabva vasimudza Banga riya mudenga kuti vazvibaye.

Cee.... Mom please. Mama Please no


Mom.... If you take any step forward ndiri kuzvibaya.

Cee akabva Amira Ini ndaive ndongohuta. Kutaura chokwadi zvaive zvisinga taurike. Vaitozofa
nestress Mai vangu. Ndaive ndongohuta ndakamira. Simba rakatanga kupera zvishoma nezvishoma
kusvika ndawira pasi ndakapedzisira kungwa mom vachiti

"I love you my daughter no matter what, woke up please, I promise I won't ask that again"

Handina zvimwe zvandaka zombonzwa.

Kubva Kumhuri yabamukuru na Tete hapana aive nehappy family seyedu. Ndinorangarira rimwe
gore ndiri grade 7. Vakauya maiguru vachichema zvekuita sevachafa. Vachiti bamukuru venyu
kundiigira umwe mukadzi. Yes ndiwo aive mabasa avo bamukuru vaichinjanisa vakadzi vachhita
zvechifambi. Isu sevana taingotarisa uye tichitenda mwari nezvavaive vakatiitira. Baba vedu havana
kana zuva rimwe chete ravakambouya kumba usiku. Uye kana kuona Mai vachichema kuti murume
wavo avaitirw umwe mukadzi kana kuvarova. Taive takagara zvakanakisa asi zvinhu zvinongochinja
so.

Ndakapepuka ndiri muchipatara doctor Trevor vakamira padhuze neni. Pandakasvinura akabva
anyemwerera kwakuti.
Him.... Hi my Angel.

Me... Am fine ndokumbiraoka kuenda kumba.

Doctor T.... Your mother is here unoenda soon. Saka wakazo ndinyima number yako. The truth is I
love you.

Me... Iwe ndati ndoda kuenda kumba nditori.

Akabva aseka achibva andibata ruoko ndikamuka. Ndakabva ndatanga kufamba ndichienda panze.
Ndakawana pana mom nadaddy naCee.

Daddy..... Are you okay.


I nodded Cee achibva andibata ruoko kwakufamba tichienda kumota. Mom vaingondi tarisa.
Takapinda mumota tichibva taenda kumba. Kunze kwaive kwave kutosviba.

Me... Foni yangu iripi Cee.

Cee... Kumba ndasiya ndaidzama.

Achipedza kutaura foni yake yakabva yarira.

Cee..... Hello mama

..............

Cee..... Ko vaita sei.


Tese takabva tamutarisa aive atopusa kumeso. Ave kuda kuchema akangozo pedzisira nekuti

Cee.... Okay regai ndione kuti ndodii.

Akabva akata ndichibva ndatanga kutaura naye.

Me... Ko hanzii.

Cee... Mom vadonha. Eish ndakasiya papiritsi avo eBP akupera.

Daddy... Saka rega tidzoke tinomatarisa wotomukira mangwana dai risiri basa taikuperekedza
mwanangu.

Me.... Thank you for loving my friend daddy.


Cee.... Thank you daddy.

Mom.... Handi Zita racho unoriziva.

Cee.... Yes

Takadzokera paya vakaburuka vese Cee nadaddy. Mom vakabva vasara vachitaura neni.

Mom.... Angel my daughter what ever chiri kuitika in your lives ka pray to God zvopera handiti you
will be fine. Wambotaura naDaniel here.

Me..... No mama asi haasati auya kumba.

Mom... Yes.
Ndakangotura befu ndichibva ndanyarara. Vakadzoka vana daddy tichibva tananga kumba. Munzira
hapana aitaura neumwe. Ndakasvika ndikageza ndichibva ndapiwa chikafu. Ndichipedza kudya
ndakabva ndatorara. Hope hadzina kumbononoka kubata.

Mangwana acho ndakamutswa na Cee kuseni seni atopedza kugadzirira kuti achienda kumasvingo.

Cee..... Morning my love.

Me... Cee how are you.

Cee... Perfect urisei nhasi.

Me.... Ndribhoo mom varisei.

Cee.... She is fine vakazonopiwa mapills paclinic she is okay but mashoma Saka ndave kutongoenda.
Me.... It's okay. Any time soon ndouya.

Akabva agara pabed kwakunditarisa.

Cee.... Can you please tell me what is bothering you.

Me.... Cynthia

Cee..... Yes I want to know. You never know maybe I can help.

Me.... (I signed) it's a story of another day unozoitao stress ukatadza kuchengeta mom vangu.

Cee.... Ndiyo reson yakaita ude kuzviuraya.


Me.... Yes Cee but please don't stress mom needs you hanty.

Cee..... Even your mom needs you too.

Me.... I know

Cee.... So please do me a big favor

Me..... Anything

Cee..... Be strong for mama hanty. Nezuro takatozoenda navo kuchipatara BP yakwirira. Iwe waive
warara.

Me.... Ko wakadii kundimutsa nhai.


Cee.... She wanted you to sleep.

Me..... I see

Cee.... Good so please be strong for her hanty.

Me.... Okay

Cee... What ever it is Chiri kunetsa Angie Isa mumaoko amwari handiti.

Me.... Yes

Cee.... Let's pray.


Akandibata maoko Cee achibva atanga kunamata. She prayed zvekuti ndakasvika pakunyatsongwa
kuti ndamusimba ramwari. After the prayer she hugged me achibva atanga kutaura.

Cee.... Good girl ukagara uchidai you will me fine. Bye.

Ndakasimuka ndichibva ndatora Mari yakawanda kwakupa Cee.

Cee.... Thank you love.

Takaperekedzana achibva anopinda mumota. Mom was going kuNorton nadaddy kunopa mbuya
mapills avaive vakanganwa.

Vakabuda ndichibva ndagadzira mumba mandairara kwakutanga foni yangu on.

Makabva mapinda message from unknown number.

� Let's meet pachicken inn yemuna Joinacity padoor side raJ. Nyerere na9 titaure shaa ndikuda
kubuda muzim ndiDaniel.
No no no I said katatu zvekuti Daniel abude ndozvaisatoita. Ndakafemera pamusoro ndichibva
ndangotora track suit yangu yered kwakupfeka ndichibva ndatora foni card newallet yaive nemari
ndichibva ndabuda. Yaive yatove 8:00 apa mutown ndaitoda kuzvi 45mins kana une kombi. Yes
zvekudriver ndaisada.

Ndakangosvika pastation nekutowana kombi. Ndakasvotwa see nezvaiita kombi yacho yaifamba
ichimbodzokera kumasure. Zvaibhowa Kani. Ndaiita sendichaipusha kuti imhanye. Takazosvika
mutown na9:10 ndichibva ndamhanya kuenda pajoina.

Ndakasvika ndikamira ndichitarisa tarisa asi handina munhu wandakaona. Ndakambofunga kuti
zvimwe aive atosvika akaenda ndakademba hubenzi hwekusauya nemota ndakabudisa foni
ndichibva ndatanga kufona number iya isingadairwe. Hana yangu yaiita kurova.

Ndakazongonzwa ndabatwa huro zvinorwadza. Ndakabva ndacheuka kwakusanganidzana maziso


namukoma NEVER. Ndakavhunduka ndichibva ndatanga kuhuta zvekuti ndakadonhedza foni pasi.
Ndakabva ndanzwa kubatwa futi ruoko kune rimwe diki. Ndakacheuka ndichibva ndaona Natasha.
Hana yangu yakachizorova manje zvekuti chero aive pedyo aizvinzwa.

Natasha akabva anhonga foni iya kwakuisa mukabag kangu. Vese vakabva vandisundidzira.
Ndichienda mberi.
Natasha akanobvura door remota yeblack yaive mberi kwedu. Mukati maive nemurume murefu
mutema wandisina kuziva. Ndakasundidzirwa mukati. Never naNatasha vachibva vapindao
kwakuvhara madoor mota yakabva yamutswa kwakurova pasi. Vanhu vose vaivemo vaive vakapfeka
mapfesi ebasa. Hana yangu yaiita kurova.........

End of chapter

16

Mota yaiita kumhanya zvakapenga yakananga kuhatfield. Takasvika tikapinda pamba paNever.

Yes aive neimba muharare itori nezvese paingogara malodger kucottage.

Natasha.... Buruka.
Ndakaburuka ndichihuta zvekurevesa. Never akabva atambidza murume uya Mari zvikanzi
ndichakufonera wozotitora.

Door rakavhurwa ndichibva ndapinda ndikagara pasofa.

Never.... Gara pasi sofa rangu harigarwe nemahure. Natasha bvisa table necarpet.

Ndakagara pasi paya Never achibva abuda. Natasha akasara achiita zvaaive anzi aite achibva abvisa
jacket rake kwakuisa pasofa. Never akapindao akapfeka short net-shirt achibva aita on TV Ini ndaiita
kuhuta chaiko. Akabva aisa music kwakugara pasi neremote. Vakagara pasofa rimwe chete
naNatasha.

Never..... Huya ugare apa.

Aitaura padhuze navo pari pasi. Ndakaita zvaive zvataurwa. Natasha akatora foni yangu kwakuidzima
achibva abairira pachager akauya achigara pasi.

Never.... Right.
Akabva ambomira kwakutanga kubaya baya foni achibva azoiisa pasi.

Never.... Ndiudze makatanga kudanana riini naDaniel.

Ndakamboramba ndakanyarara.

Never.... Ini ndasiyana namai vako vanokuyemedza taura tone ndisati ndaku bvanyangura.

Me.... Hatidanani.

Natasha akabva aseka. Never akabudisa foni yake achibva andiratidza. Zvandakaona ipapo
zvakandirovesa nehana. Raive pic rangu naDaniel. Rainyatsooneka Daniel aive akaisa ruoko rwake
pazamo rangu rumwe rwuri kumagaro uku achidya palips angu. Inio ndaive ndakaisa ruoko rwangu
panhengo yake rumwe ruri muhuro ndichikiswa zvangu. Kuti ndizive kuti ruoko rwangu rwakasvika
sei kubhurugwa rakeka handizive. Ndakaita kunonzi kuvhiringika.
Never.... Ndikwire ndege kubva kuSA ndichiuya kuzonyeperwa. Natasha Tora bag rangu mumba
umo.

Akasimuka Natasha. Hana yangu yakanyatso ndiudza kuti uku ndiko kufira mahara.

Akadzoka Natasha bag rikavhurwa. Ndakabva ndabatwa kwakuvharwa muromo. Ndakabva


ndanyatsoziva kuti pangu pandiparera. Ndakabva ndasungwa makumbo nemaoko. Zvese zvi zvaiitwa
naNatasha.

Never akazosimuka achibva atora mboma mubag ndakatanga kubuda misodzi ndakamutarisa asi
zvekuita ndipo paive pasina. Natasha akabva abudisa belt. Vese vakabva vatanga kundirikita. Mboma
yairwadza zvekuti chero belt ndandisinga rinzwe ndakarohwa. Kuita kubhurwa chaiko. Handina kana
kumbobudisa voice nemisodzi yakanguma ikaoma. Ndakapedzisira ndangovhara maziso. Muviri
wangu wese wakarohwa kusara kwemusoro chete

Never... Musiye ndimbonogeza Ziya rawandisa naiye anosara achifungao kuti vakatanga kudanana
riini. Akangotaura zvisina basaka anonofira mberi. Anebasa rei panyika uyi.
Vakabuda ndikasara ndakangorara. Kana Simba ndaive ndisisina hapana paisarwadza muviri wese
wairwadza. Mukaona vangu vaviri vobuda Ziya nekurova munhu panenge pashandwa. Ndakatanga
kufunga kiss yandairohwerwa I felt something mupant mangu I started smiling. Ko ndaive ndasiya
ndavhurwa muromo zve. Daniel was a good kisser zvake. Ndakabva ndatotanga kumusuwa. Ipapo I
realized kuti ndinomuda. Uye rudo rwacho rwakaita sekuti kurohwa kwandandaitwa
kwatoruwedzera. Ndakatanga kufunga. Kufunga matauriro ake akakutarisa mumaziso so.
Nekakunyarara nekupfava kwaanako. The way he kiss me maudziro aanondiita nezvemafeelinga ake
towards me. Ndakaramba ndichingo nyemwerera kusvika ndazonzwa

Natasha..... Hauna kurwadziwa handi ukutoseka hako.

Vakapinda vakaderekedzana.

Never... muka tone

Ndakamuka ndikagara pasi. Ndakabva ndazvitarisa kwakuona kuti ndaisina ropa.

Never..... Ndakaku bvunza mubvunzo ukatadza kupindura in 5 seconds time tikukudzokorora.


I nodded.

Never.... Makatanga kudanana riini naDaniel

Me.... Last month

Never.... Ndiani akanyenga umwe.

Me.... Daniel.

Never.... Aripi.

Me.... KuDubai
Vese vakabva vakatyamara apa Ini ndaitonyepa zvangu.

Never.....makamborara mese

Me.... Ehe.

Never.... Kangani

Me..... Ka4

Never..... kupi

Me.... Kumba.
Natasha.... Unechokwadi kuvhurira hazvanzi makumbo. Chii ukushaya varume here.

Ndakaramba ndakanyarara.

Never..... Manje Hauna nhumbu.

Me.... Ndinayo.

Vakabva vatarisana kwakutura befu Never achibva abuda.

Natasha..... Angel wakashaya varume chero vevanhu zvaitore nani. Unosemesa iwe

Never akabva apinda zvekare.


Never..... Saka murikuda kudii nenhumbu yenyu.

Me.... Kuibvisa

Never.... Riini.

Me.... Mangwana.

Natasha..... Mozoita imwe.

Me.... No haachadzoke
Natasha.... Maybe unoteera.

Me.... Handina number yake.

Natasha..... Saka wanga uchitoda kuteera.

Me.... Aiwa.

Never.... Wotaurirana naDaniel womuudza kuti ndiri kumuda in 2 weeks time tosangana pano
akarega kuuya ndouraya iwewe. Wanzwa.

I nodded.

Never....... simuka tinokusiya mutown.


Ndakasimuka paya kwakuona kuti pandaive ndakagara paive neropa. Ndakangosiyao zvakadero.
Ndichibva ndabuda. Takawana mota iya yavepo futi. Ndakabva ndanosiiwa mutown. Ndakafamba
ndichienda kuharare gardens ndichibva ndasvaga pekugara. Ndichibva ndatanga kuchema.

Kuma 2 ndipo pandakazofunga kuenda kumba ndakabva ndazvitarisa kwakuona kuti ndaive
ndazvimba maoko nemakumbo zvese. Apa pain yaive yawedzeresa. Kuti ndidzokere kumba
ndakabva ndafunga kuti ndichasvika ndichibvunzwa kuti ndaitasei. Ndaizopindira ndichitii nhai. Apa
Mai vangu vaichizofa nestress.

Ndakambofunga kurovera Moyo kudombo asi pandakanzwa kombi yaiti mbare mbare ndakamba
ndatokwira. Ndichisvika kumbare ndakabva ndananga kunokwirirwa mabhazi yemasvingo.
Ndakawana riripo raive ratozara rave kuda kubuda "interafrica" ndakakwira. Ini no time taive
tananga masvingo.

Bhazi raimhanya zvaro iroro. Ndakapinda mumasvingo kuma 6 ndichibva ndatora tex kuenda kumba.

Ndakasviko piwa makey nalandlord Cee aive Ari kumusha. Ndakapinda mumba ndichibva ndatorara.

..the following day..


Ndakamuka kuma10 chaiko. Kuda kumuka kudai musoro ukati usatambe iwe. Wakabva watanga
kubanda.

Ndakangokwanisa kusimudza mugoti ndichibva ndatanga kurova rova bucket. Akauya musikana
Aishandira landlord after sometime

Me... Shaa ndokumbiraoka kunotengerwa mapain easy nesadza pamashops

Akabvuma ndichibva ndamupa mari. Matarisiro aaindiita ndakangoona kuti Aida kunzwisisa asi
handina kumupa nguva yacho. Akanotenga akauya nazvo. Ndikadya ndichibva ndarara zvekare.

.. 2 weeks later..

Ndairarama nekudya chikafu chekutenga. Kurwadziwa ndakambo rwadziwa uye ndaiita futi
dambudziko rekubuda ropa kubva zvandakarohwa kuita sendiri Kuma period asi ndisiri ropa racho
tichingoita madrops maviri pazuva. Zvekuti chero ndikaisa pant liner zvaitoita. Marwadzo aive
anyarara asi mamwe maronda aive asati apora. Ko ndakatokuvara chaiko zve. Kunyanya kumusana
uku.

Ndaiti ndikafunga zveropa raibuda ndaiita stress dzaive dzatove 2 weeks dzese ropa richingobuda,
yaive iri Friday, apa zvikoro zvaizovhurwa Monday yaiteera

I was so stressed........

End of chapter.

17

Upenyu hunongooma zvishoma zvishoma wakatarisa. Ropa raibuda rakandishungurudza zvekuti


ndakangoona misodzi ichibuda chete chete.

Door rakavhurwa achibva apinda Cee aitobva kumusha kuri kuuya kuchikoro

Cee..... Aaaa ko chii nhai Angie


Akatsveta mabook pasi achibva atanga kundibhabhadzira, Zvakaita kuti ndichema shungu dzose.
Ndakazonyarara later achibva andibata maoko kwakuti.

Cee.... Angie I may not be your relative but it's good to share whatever it is.

Me ..... Cee am afraid kukuudza

Cee.... Tell me your will fill free.

Me.... Cee I have feelings for my brother, infact we have feelings for each other.

Instead yekuti avhunduke Cee akatanga kuseka zvake achibva atondiregedza maoko kwakutanga
kupinza mabag ake. Ini manje ndakabva ndatowedzera kuchema.
Cee..... Iwe nyarara uko zvochemedza here izvozvo.

Akataura achitoseka zvake. Ndakabva ndasimuka kwakusimudza hembe yandanga ndakapfeka.


Akaita kuvhunduka achijambira kwakadero.

Cee.... What happened to you. Heee chii

Angie..... It's because of the feelings.

Cee..... Ndakazviona kubva kudhara zvekuti mafirst days uchiti Daniel i brother yako I couldn't
believe it. I mean you guys look like a perfect couple.

Me..... Stop joking Cee

Cee.... Serious tell me happened.


Ndakamutsanangurira everything ndikazopedzisira nezveropa.

Cee.... (Achishamisika) so you have been here usingafone Angie why.

Me.... Am sorry I needed to be alone.

Cee.... Okay what if you have a big problem nhai maybe wakakuvadzwa chibereko.

Hana yangu yakabva yarova zvakasimba.

Me... Cee

Cee.... Yes you have to talk to your brother womuudza zvakaitika owona zvekuita muchipanana
maideas not zvakupenga zvamave kuita muri vanhu vakuru imi.
Akasimuka achibva aita foni yangu on achibva atenga mabundles kwakutenga airtime.

Cee.... Now fonera mom uvaudze kuti wauri kumusha kwedu wakanzwa kuti mom vangu
vavarwarisa uye kwakusinaa network.

Foni yakabva yatanga kurira.

Daddy.... Muno shungurudzireiko mukadzi wangu nhay iwe.

Me..... (Laughing) daddy tadii ndipei nditaure naye.

Mom.... Angie (nevoice rekuchema)

Me.... Mukuchemeiko mama sorry ndakazobva kumba ndisina kuoneka. Kutopinda mumasvingo
izvezvi ndandiri kumusha kwana Cee mom vake vakazorwarisa zvekusatotaura. So I was confused
mama
Mom..... Hiiiii so how is she now nhai.

Me... She is fine tavasiya nemunin'ina wavo.

Mom.... Okay saka iwewe uchadii zvinhu

Me.... Ndotozouya next weekend mom

Mom.... Ko Daniel aripi

Me.... I don't know mom I promise by Monday ndendamuwana.


Mom.... Thus my Angel.

Me.... Okay bye mom I love you.

Mom.... Love you too bye

Ndichingokata ndakabva ndambundira

Cee. I was happy.

Cee... It's not over yet my love. Ko Daniel neropa iro

Me.... Ndiite sei manje.

Cee.... You said you know kwaanogara kumarondera right.. go there now
Me... Ndosvika here kwave Kuma 2

Cee... Ukutononoka wakatochena so. Tora chimbudzi ichi uende ne2 mafoni. Buda ndikuperekedza.

Ndakatora wallet ndichibva ndatobuda naye. Ndakakwira kupinda mutown. Ndichibva ndanokwira
bus kwakunanga paharare. Bus raifamba zvishoma zvishoma zvekuti ndakapinda muharare Kuma 7.
Hana yangu yairova zvekuti ndaive ndisisazive kuti ndodii. Ndakatanga kufamba ndichienda
kunokwirirwa makombi emarondera.

Ndakasvika ndikaiwana ndichibva ndakwira yaisafamba zvekare zvekuti takapinda kumarondera


kuma8:30 ndakatanga kufamba ndichienda kwataive taenda day raakauya neni. Apa chando
ndainzwa kutonhorwa. Ndakatsvaga ipa ndichishaya dzimba dzandakapinda dzakawandisa
ndichinoka ndichipashaya.

Ndakazongorovera Moyo kudombo kwakuenda paneimba yandaiti yekupedzesera. Ndakanoka


kuchibva kwabuda musikana aive akapfeka short.

Her.... Ndokubatsirai nei.


Me..... Ndikutsvagao panogara Daniel

Her.... She is not here. Akadero achibata door.

Daniel.... Who is that babe.

Her..... Stranger

Me.... Dany.

Daniel..... Angel.

Akabva auya achizovhura door kwakusvika achindimbundira ndakabva ndatanga kuchema.


Ndakapedzisira ndave kutoridza mhere chaiyo. Akandiisa mumba. Ndikagara pasofa musikana uya
aive akangotarisa zvekuratiza kutsvotwa. Daniel akabva abuda akanouya nemvura. Ndakanwa
ndichibva ndanyarara. Akatora chair akazogara pamberi pangu.
Daniel.... I did it for you.

Ndakabva ndasimudza hembe kwakumuratidza musana wangu.

Me.... No you did it for this.

Daniel.... Angel. What Happened to you.

Me..... Hure rako ngaribve pano

Her..... You don't have the right to.....

Daniel.... Stop it. Buda uende


Akamboramba akatarisa Daniel.

Daniel..... Handifarire kudzokorora zvandataura.

Akabva apinda akanobuda nekabag. Daniel akabva akiya door kwakuzogara pedyo neni. Ndaka
mutsanangurira zvaive zvaitika zvese. Ndichibva ndamuudza zveropa nekufonera mom. Akasimuka
achibva andimbundira akambotora nguva akadero achibva azotanga kutaura.

Daniel..... Let's go kuharare tinoona doctor now zvimwe tichaona zvekuita kana taziva problem.

I nodded achibva aenda kunopfeka achibva azonditora tikanopinda mumota. Ndidzo nguva dzaka
ndakafonera Cee ndichimuudza zvataive taronga akazondinakidza ave kukata hanzi "ufarise
bamunini"

Foni yaive paloud Daniel akangonditarisa in disbelief yezvaive zvataurwa. She hug up achiseka then
Daniel achibva atanga kutaura neni.
Daniel..... Asi wakazomuudza. Wakamuudza uchitii.

Me.... Kuti we have feelings for each other

Daniel.... Akatii

Me.... Hanzi ndaitoti muri couple.

Daniel.... I love you Angel.

Me.... You are my brother

Daniel..... I mean brother love

Akabva atanga kuseka hake.


Me.... Ndandasuwa that smile.

Daniel..... Ndandakusuwai vamamoyo.

Me.... But ukundibhowa zvauri kuita.

Daniel.... Zvei mamoo

Me.... Kurara nevasikana nekungoita zvevakadzi it hurts

Daniel..... I promise I will change for good. Handichafe ndakarara neumwe munhu nekuti hapana
Chiri kumbochinja apa. Ndichiri kungokunzwira shunga.

Me.... Pfeki haunyare here.


Daniel... That's the truth Angie and I can't ran away from it. Hameno kuti vachadii but zvikaramba
zvakadai ndoenda kuAMERICA iwe woteera totonoita mhuri yedu.

Ndakaseka zvekubudisa misodzi.

Me.... Ko mom do you Know kuti vanofa nestress.

Daniel.... Vanenge vaudzwa Nani. Vana vedu tovasiyako isu tetichingouya kuzovaonao tega.

Me.... Daniel ka. I love you too

Takambo kanganwa nhamo tave kuseka zvedu. Takasvika muharare tichibva taenda kune umwe
doctor shamwari yake. Takasvika akataura nyaya edu

Doc..... Panoda police report.


Daniel.... Uribhururu iwe ndikungoda scan then zvimwe ndichaona yekuseta.

Doc..... Boo saka rega nditomuita usiku huno. Let's go ku surgery.

Taive kumba kwake saka takabva tatoenda kusurgery ipapo. Takasvika achibva atotanga kundiita
scan apedza akango dzungudza musoro wake achibva ati..

Doc..... There is a big problem.....

End of chapter

18

Daniel ..... Problem?


Doc.... Yes. You need to go to South Africa even mangwana ndokupa number yadoctor he is my
friend doctor wacho. I will call him ndichimuudza zvandaona.

Daniel.... Just tell me what is wrong.

Doc.... He will tell me. Asi dai zvaiita mabhuka ndege yay muende pachiri pedyo nekuti
zvamukukanganisa.

Me.... Can you please tell me the problem.

Doc..... Ungatoite heart attack zve I will tell your brother, you can go and wait for him mumota.

Ndakangotarisa Daniel achibva andipa sign yekuti enda. Ndakaenda asi Moyo wangu waida kuziva
chaiitika pandiri. Ndakagara nguva ingangokwana 30 mins. Akazouya Daniel maziso akaita kuzara
misodzi. Akasvika nekumutsa mota kwakuimhanyisa achibuda mutown.
Me.... Hanziii wangosvika ukanyarara

Daniel.... Hapana.

Akabva abudisa foni kwakutanga kufonera aunty vaishanda kumba.

Aunty..... Hello.

Daniel.... Aunty ndokumbirao favour.

Aunty..... Uripi Hauna kumbondimhoresa. Unoda favour yei.

Daniel..... Am sorry aunty ndokumbirao mupinde mumba maAngel mutore passport yake muuye
nayo pagate. But please don't tell anyone.
Aunty.... Azviite.

Daniel..... Please aunty huyai nayo ndikakuudzai zvisingakugutsei munodzokera nayo. Ndave kusvika
ndiri pamashops.

Aunty.... Okay I'll try.

Mota yakafamba chaiko achibva anomira padhuze nepamba. Pasina nguva aunty vakabva vabuda.
Akabva aenda, akatanga kutaura navo ndakazongoona vachibata muromo misodzi yavo ichiyerera.
Chaiitika chaicho ndicho chandakashaya. Akapiwa passport achibva adzoka akamutsa mota
akananga kumhondoro.

Me.... Daniel please tell me.

Daniel..... Can you please relax babe urare apa ndave kunotora passport yangu tobva tageza
tozosimuka Kuma 4 usiku nekuti ndabhuka ya5:30.
Me..... Daniel please.

Daniel.... Babe please

akazviita zvekuti ndakangonyarara. Takasvika kumba achibva atanga kurongedza ndakagara pabed
pake.

Me..... Ndine nzara Dee

Daniel..... Sorry babe doctor vati usadye till morning hanty.

Me.... But why what's the problem.


Daniel akabva avhara bag kwakukwira pabed achibva andipinza mumachira. Akabva andibata maoko
kwakutanga kumakisa zvinotekenyedza ndakatanga kumubatao, achibva atanga kundikisa
pamuromo chaipo. I started responding zvichienda kusvika tese tave kufemera pamusoro.

Ndaive ndave kunzwa zvinhu zvandisina kumbo zvinzwa kubva ndichizvarwa. Akazongodimuka
nekukasira Daniel achibva abuda. Ndakaita kurwadziwa. Mutsamwa chaiko. I followed him
ndikamuwana akamira mushower mvura ichiyerera akabata madziko. Akabva acheuka kwakundiona.

Daniel..... Enda kunorara babe ndouya soon.

Ndakangodzokera ndakanyarara, then ndichibva ndarara akaita almost 30mins ariko achibva azouya
kwakupinda mumachira.

Daniel..... Thank you babe that was good. Chirara we only have 2 hours.

Handina chandakataura ndakangorara. Hope hadzina kunonoka kubata. Mangwana acho


ndakamutswa atopedza kugeza ndakanogeza ndichiita kunzwa kuda kudonha. Takapinda mumota
tonanga Harare. Muharare hatina takanoenda paairport tichibva takwira toenda kuSA. Takangoita
45mins taive tatove muSA.
Takatambirwa neumweo murume achibva ananga nesu kusurgery, the surgery was nice takasvika
ndichibva ndatotambirwa neumweo nurse ndakaendwa neni maive nemadoctors 3 achibva ati
ndirare. Pasina nguva ndaive ndisisazive zvaiitika.

Ndakapepuka Daniel akagara padivi pangu. Ndakamukwenya achibva anodeedza doctor ndakasara
ndichizama kumuka asi pain yandainzwa ka yaive yakanyanya. Vakauya doctor vakanditarisa tarisa
vakasiya vandibaya.

Doc.... You can give her food now.

Akasimuka Daniel akauya nesadza nechicken that was my favorite. Ndakadya ndikanwa mvura.

Me..... What going on Daniel

Daniel.... Ukurwara babe.


Me.... Ndikunzwei.

Pachinhambo chekuti apindure akabva aswedera pedyo neni achibva atanga kundikisa. Rudo rwangu
kuna Daniel rwaikura zvishoma zvishoma. Ndainzwa kumuda,

Me..... Daniel ukaita umwe musikana ndozvisungirira.

Daniel..... Promise kuti uchandipao kiss every time yandendichiida.

Me..... You are my brother.

Daniel.... We are talking about love babe.


Me.... I promise.

Daniel..... Good

Akabva andikisa paruoko akasimuka. Pasina nguva akadzoka nefoni. Achibva afonera Cee. Takataura
chaizvo ndichibva ndazomuti "Daniel arikuramba kundiudza zviri kuitika"

Cee..... He knows the best for you dear doctor said ukaziva zvogona kukukanganisa kukasira kupora.
Zvokupa stress it's for the best hanty.

Me..... So did he tell you.

Cee..... Yes.
Ndakabva ndatarisa Daniel akangondibatao padama achibva atanga kupa kuruzira.

Cee... Don't worry you will be fine handi.

Takapedza kutaura pfungwa dzangu dzichimhanya mhanya. Ipapo doctor akabva asvikao achitaura
zvakatozoita kuti ndiite stress.

Doctor..... Mr Daniel we are now waiting for the doctor from China, but I promise she will be fine.

Me..... Doctor what's wrong with me.

Doctor.... You will be fine.

Akataura achitambidza Daniel ma paper achibva atoenda


Me.... Daniel but why usiri kundiudza.

Pakuti apindure akabva atotanga kundikisa. Ndakatadza kupikisa I really really wanted him.
Takazotanga kuita zvedu nyaya. Kumanheru ndakaona muroom mandaive muchipinda doctor wechi
China. He smiled at me achibva andibata musoro. Akabva atarisana nevaaive navo kwakutaura
nechirudzi chandaisanzwa. Doctor you akangozoti "she will be fine"

Vakabva vabuda naDaniel. Ndakasara ndikatobatwa nehope. I woke up ndichipushiwa ne trolley.


Ndakapinzwa mune imwe room maive nevarume vatatu naDaniel wechi4.

Ndakabva ndavharwa kumeso. Ndaingovanzwa kutaura. Vachibata body yangu nekuratidza kuti pane
zvavaiita.

Ndakazongo karuka ndisinga chazive zvaiitika. I woke up ndakaiswa pamadrip. Uye ndichiwedzerwa
ropa. Kunze kwaive kwatosviba ndakatarisa nguva ndikaona dziri kuma2 usiku.

Handina kuzorara zvekare. The following morning akauya Daniel achiratidza kakusununguka zvekuti
takatomboita nyaya tichiseka
Ndakagara muchipatara kwe 1 week ropa raive risisabude uye ndanzwa kuti ndasimba muviri
wangu.Daniel aiuya everyday. Rimwe zuva ndichitii ndobuda mangwana ndakanyengetedza Daniel
kuti afonere

Daniel.... It's not like handidiye kutaura navo asi nyaya navo ndonzwa kugumirwa chaiko I don't
know what to say

Me..... Zvawakutoita sekuti see knows zve.

Daniel.....am afraid chete.

Me.... Fona now tone.

Ndakatora foni yake ndichibva ndafonera mama she answered ipapo ipapo
Mom.... Hello new number.

Daniel..... Mama.

Mom.... Daniel where are you.

(Ndipei nditaure naye)

That was Never's voice nechaaida kumba ndakachishaya.

Never..... Hello uripi iwe.

Daniel.... Tarisa number yafona kuti ndeyepi.

Never..... Usandiita mwana wako.


Daniel.... Handina kufonera iwewe Saka usandiudze zvekuita.

Me..... Daniel chingotaura zvakanaka Kani.

Never.... Hoo Saka mutori mess zvenyu mbuya vachibva kunoku.

Daniel..... Vaita see mbuya.

Never..... As if you care.

Daniel.... Ipa mom foni hauna nyaya iwe.


Never..... Usaita sekuti hatife takasangana muupenyu

Daniel akabva akata

Me..... Ko wadii kungonzwa zvambuya.

Daniel.... Rega ndifonere daddy.

Akafona yadaddy ikambotora nguva isina kudairwa vachibva vazoti

Daddy..... Hello new number.

Daniel.... Daddy makadii.


Daddy.... Muku shungurudzireiko mukadzi wangu.

Daniel..... Sorry daddy ndakazoita emergency ndikaenda kuDUBAI kubasa.

Daddy.... Ukatadza kufona

Daniel..... Am sorry about that daddy how is Mom.

Daddy..... She is fine mbuya ndivo vari muchipatara vakaita heart attack.

Daniel.... Okay ndouya mangwana.


Daddy.... Une number yeshamwari ya Angel here. Foni yaAngel haisi kuita.

Daniel.... Ehe.

Daddy...... Send now auye kuzoona mbuya.

Akabva akata a chibva atotanga kuronga zvekuti ndiende kuzimbabwe....

End of chapter

19

Ndakabudiswa muchipatara ndichibva ndaenda kuairport kwakukwira ndoenda kuzimbabwe.


Takasvika ndichibva ndafonera Cee aive atokwirao kuti auye sezvo mangwana acho yaive weekend
taive taronga kunovaona weekend tobva tadzokera masvingo.
Daniel..... Ndakubhukirai hotel ndimo mamucharara mozoenda kunoona mbuya mangwana. Ini rega
ndoona kuti zvakamira sei totaura ndasvika.

Ndakasara ndikafonera mom ndichivaudza kuti I was coming the following day. She was happy hanzi
vamwe vazukuru vese variko kusara kwenyu. Ndakasara ndikarara ndamirira Cee kuti asvike.
Ndakazopedza a nefoni it was Daniel.

Me..... Hello Dee.

Daniel.... Angel pakaipa.

Me.... Chii

Daniel..... Mbuya vakaratidzwa vedio yangu newe ndizvo zvakaita kuti vacollapse
Ndakabva ndatanga kuchema.

Daniel..... Chimbomira kuchema mamoyo everything will be fine.

Me.... Ko mom daddy.

Daniel..... Havana kuratidzwa even tete nanabamukuru.

Me..... Ko vakazoziva Daniel.

Daniel.... Am confused but tetichizvionera ipapo. Pane maface 2 and bhadhara kuti akuteerere
usarohwe but chero vakakutuka nyarara usapindure.

Me.... Ko iwe hauna kurohwa.


Daniel.... Handina but Ini ndiri murume ndozvimiririra. Bye Mira ndione momz.

Tapedza kutaura ndakambofunga for a long time. Ndichibva ndazofonerwa naCee achiti aive asvika.
Ndakamuka madirection achibva asvika.

Ndakamumbundira ndichibva ndatanga kuchema.

Ndkachema for a long time achindibhabhadzira.

Cee..... Everything will be fine don't worry hanty.

Me.... Zvakanyanyisa izvi.


Cee.... Don't worry dear inguva chete.

Ndakambotora nguva tichitaura tichibva tazorara. The following day Daniel called achiti aive ave
kumboenda kumarondera taizongotaura pafoni. Kuma10 takatora Tex tichibva tanangahospital.
Takasvika vanhu vese varipanze vachitaura. Mom ndivo vakauya kuzonditambiraa. Takambundirana
vachibva vamhoresa Cee.

Takabva taenda kunevamwe. Takamhoresana nevanhu vese, vamwe ndivo vaisadaira vamwe ndivo
vaitofara. Visiting our yakakwana vanhu vakatanga kupinda mukadzi.

Natasha akabva andikakata ruoko kwakutanga kutaura.

Natasha.... Usapinde, you look as if you care. Usatombopinee zvako otherwise you will see the other
side of me.

Misodzi yangu yakayerera ndichifunga mashoko aNatasha akabva atanga kufamba achipinda mukati.
Cee..... Stop crying taura naDaniel ooh foni yakutorira.

Ndakatambidzwa foni ndichibva ndatanga kuchema.

Daniel.... Ukuchemei babe.

Me..... NdiNatasha ati ndisaone mbuya.

Daniel.... Listen babe pinda uone mbuya uri serious hapana zvavanokuita someone is following you.
And stop crying upinde wakashinga hanty.

Akakata Cee achibva andibata ruoko tave kupinda mukati, ndakapukuta misodzi ndichibva ndapinda
mukati. Ndakafamba ndiri serious ndachienda pabed pagogo. She was sleeping peacefully zvavo.
Ndakanyemwerera ndakavatarisa. Natasha akabva auya pandaive kwakuzevezera.
Natasha..... Gadzirira zvinhu zvako.

Ndakaramba ndakanyarara, ndakangogara kwenguva diki ndichibva ndabuda takadunga midzana


naCee.

Cee..... Pakaipa shamwari. I hope zvopera mushe.

Me..... What do you think I must do.

Cee.... I don't know dear the best kunamata. Nekumboedza kumasowe shaa. I can't tell you kuti
siyana naDaniel but all I can say is namata kana zviri zvemweya yesvina zvopera let's be prayerfull.

Me..... Thank you sis.


Natasha akabva abuda achicheuka cheuka kwakundiona chibva auya pandaive.

Natasha.... Let's go panze pegate.

Ndakaramba ndakamira.

Natasha.... Hey bitch am talking to you..

Silent.

Natasha akabva andibata ruoko kwakutanga kundisunda zverough. Paakauya kuti andipushe kechi2
akabva abatwa ruoko neumwe murume. Pamberi pedu pakabva pamira mota. Murume aivemo
akabva ati handei. Ndakapinda Natasha achibva atanga kupopota. Takamusiya achipopotera
murume uya.
Mota yakarohwa achibva anotisiya kumba takawana Kuna aunty. Ndakavamhoresa ndichibva
ndaenda kuroom kwangu. Vakateera aunty vaine drink vakasviko gara pachair.

Aunty.... Ndokumbirao kutaura newe Angel.

Me.... Taurai aunty.

Aunty.... Wega.

Me.... Haana basa uyu taurai.

Aunty..... No it's about you and Daniel.


Me.... Taurai aunty

Aunty..... Unoda kusvikepi uchishungurudza Mai vako.

Voice..... Aunty Learn to mind your business. Budai imomo mapoto akutsva uko.

Aive Daniel aive akamira padoor. Ndakashaya kuti aive asvika nguvai.

Me.... Daniel please siya vataure.

Daniel..... Nekuti chii chako hee. Chii chako. Budai handidi zvevanhu vanongotoboka toboka
pazvinhu zvisiri zvelife yenyu.

Vakanditarisa aunty vachibva vamutarisa. Aive akasunga kumeso mwana wamai vangu asingade
zvekujairirwa. Vachingobuda tete akabva anditarisa kwakuti.
Daniel.... Usangobvume kuitiswa iwe.

Akataura achitobuda. Ndakasara ndichitura mafemo.

Cee.... Don't worry sweetie let's pray now.

Takapfugama tikanamata for a long time asi Ini ndainyatsonzwa kuti ndiri kungotaura kunamata
chaiko handina. Tichingoti amen akabva apinda Natasha aina Never.

Natasha..... Heya mahure anotonamatao.

Ndakatarisa Never ndikaona akabata belt. Hana yangu yakabva yatanga kurova. Ndakakweva foni
ndichibva ndasendera Daniel message, achibva angoti

" Don't worry am here for you"


Never..... Hure remunhu ukaona mbuya vakafaka uchazvidemba. Asi nhasi ndoda kukurovera
mhosva yako yekuti ndakakuti uuye na Daniel after 2 weeks ukadiii. Ndoda kukurovera izvozvo.

Akabva atanga kugadzira hembe yake.

Natasha..... You will suffer for the rest of your life mark my words.

Never akabva aswedera pedyo neni kwakusimudza ruoko kuti andirove ndakabva ndavhara maziso
angu ndichitya kuona shamhu ichidzika.

Nguva dzandanga ndakatarisira kuti shamhu inenge yasvika haina kusvika ndakatonzwa Cee
achindimbundira ndidzo nguva dzandakasvinura kwakuona Daniel akabata Never ruoko kuti
asandirove.

Never.... Good ndiwe ndandichitsvaga.


Daniel akaramba akanyarara. Never akabva abata Daniel pahuro.

Never..... Ndoda kukurovai mese

Daniel..... Ukarova Angel ndokurova.

Never.... Ndokumamisa mufanha.

Daniel.... Ndinenge ndafa. Iwe unorohwa nemukadzi unotongwa nemukadzi ungazogona kunditonga
here iwe never sezita rako.

Never akaita hasha achibva asimudza bhutsu akandikava pagumbo. Kuzodaro aive adenha zvimwe.
Handina kumboziva kuti Daniel anehasha kudero. Akabata Never pahuro achibva atanga kumurova
akamurova kusvika ropa rave kubuda. Natasha akada kubuda Daniel achibva akiya door kwakuisa
make muhomwe. Never akatanga kurohwa zvekuti ndega ndakanyatsonzwa kuti munhu arohwa uyu.
Akapedzesera angoti rabada apa Natasha aive anguduka kukona. Daniel akazorega Never
ndamubata ruoko zvaive zvanyanya veduwe. Haana hake kuita nharo Daniel akabva abudira paper
muhomwe kwakuratidza Natasha. Natasha akatanga kuvhura maziso achishamisika. Akabva aenda
paive naNever kwakumuratidza. Never achingoti verengei akabva asimuka kuratidza kushamisika.
Daniel..... You see what you caused. Didi you see. Never uribedzi wanzwa. Usafa wakapindira mulife
yangu zvekare am not related to you. Mari yandiri kubhadhara waiona ndikati help me unobvuma
iwe hee. Handisati ndapedza nemi. If anything I mean anything happens to her ka I swear 1 wenyu
ndomuuraya. And one more thing doctor vakati timbomira kumuudza if anyone kuvabereki akaziva
zviri pabepa iri I swear you are going to die.

Akarovera door achibuda mwana wamai vangu. Never akabva ateerao. Natasha haana kuzogara
akabva ateerao.

Me.... Please Cee can you tell me my problem please.

Cee.....

End of chapter

20

Cee..... It's not necessary kuti uzive Angel


Daniel akabva adzoka akabata mandiro 2 echikafu. Takadya ndakanyarara. Ndaive ndave nestress ye
zvaiitika muupenyu hwangu. Vana momz vakazodzoka and everything was okay.

Manheru takarara naCee. Daniel akabva apinda.

Daniel.... Cee mangwana dzokerai kumasvingo ndoda kuti mbuya vamuke maenda.

Me..... Asi handi vachangotibvunza here pavanotiona.

Daniel.... It's for your health. Cee please take care of my sister. Ndichakupai mota yangu moenda
nayo handi.

Me.... Tell me Daniel what is wrong with me


Daniel....everything is fine machuma

Ndakabva ndakanyarara achibva abudisa Mari kwakundipa imwe achibva apa Cee. Akabva azoenda
kunorara. Vana mom vachisvika vakananga mumba medu ndichibva ndangovaudza kuti taidzoenda
mangwana acho.

Mama.... Iiiii mangwana haaite matoona mbuya here.

Maiguru..... Mwana anofoira mainini. Isuo tiri kuenda mangwana mabasa aya tofanira kuenda
kubasa. I think Natasha ndiye achasara pano.

Natasha.... Ndikuenda ini pane zvandoda kunoita. ( Akataura achitopinda muroom mangu)

Mama..... Ukazenge wambochema wani.


Natasha.... Ndiribhoo.

Maiguru.... Saka murikuda kufamba sei mangwana.

Me..... Tichaenda nemota ndoda kutomukira kurongedza topfuura tichiona mbuya. Mangwana na10
tofana kunge tatove paroad.

Bamukuru....(vachipindao padoor) saka totoenda tese nemasvingo tonoona kwaunogara mwanangu


nekusiya tatenga Tenga zvinhu.

Daddy....zvezvatonaka tofambidzana mukoma Ini ndichadzoka kumanheru ndine zvandoda kunoona


kumasvingo zvebasa.

Mama..... Nenio ndotoendao.


Daddy..... Ko mbuya vanosara Nani.

Daniel.... masikati ndichanovaona Ini kuchipatara kwacho.

Mama.... Thus good pakudzoka hamuzo shurikirwe.

Daddy... Asi waronga semunhu mukuru apa.

Bamukuru.... Nyaya yandauyira muno ndeya Daniel naAngel.

Hana yangu yakamborova.


Bamukuru.... Munozviziva here kuti tichikuzvarai kudai tetichiitira kuti tiwane vanotipa mufaro.
Manje imimi kana muchirega kufonera vabereki moda kuti vadii zvese zvamunoita ngavazvizive
Daniel ndiwe mukuru lid by example. Izvezvi uri engineer asi hauna kana stand zvayo Daniel kura
mwanangu.

So this mean hapana aiziva kuti Daniel ane imba.

Daniel.... Okay daddy ndichapagadzirisa.

Bamukuru..... Good ndakunozorora ini tomutsana mangwana.

Vanhu vakaparadzana tichibva tasara tikarara

The following morning takamuka tikarongeza zvataida kunoshandisa tichibva tazoenda kudzimota
dzokusimuka. Ini, Cee naNatasha taive mumota yangu. Yes Natasha akadzi auye kwedu namom.
Maiguru namama vari mune Yanamaiguru. Daddy nabamukuru vari muneya daddy.
Takasvika pachipatara tikawana Daniel atovepo. Never akamukira kuenda kuSA zvekuti Ini handina
kana kumbomuona kuseni. Takaona mbuya tichibva tazosumudzira kuenda kumasvingo. Cee ndiye
aidriver ndaive ndakamupa Mari yekuti atore license Ini ndakagara padivi pake Natasha kumasure.
Takafamba tikadarika mvuma pasina aitaura neumwe. Cee ndiye akazodzimura runyararo.

Cee.... Angie

Me..... Heee.

Akabva aseka.

Me... Ko chii.

Cee..... Munya proposed me.


Ndakaita kuvhunduka ndichimuti heeee. Munya aive munhu ane Mari zvekuti tese taisazvitarisira,
uye aive ainga taure taure. Pachikoro aiuya nekuti aive neshamwari yake aive lecture saka aitouya
every time.

Me.... Munya Temba wandinoziva Ini kukunyenga.

Natasha.... Temba wekupi aoaita sei anogona Ari muface wanguka.

Cee..... Yes. Akatanga kuswera zuro kufona. Achibva azofona nezuro kuseni haana kuzofona futi.

Natasha..... Munya wamukutaura anobvepi.

Me.... Kubulawayo. So tell me did you say yes.


Natasha.... Say yes to my boyfriend hee handidi kujairirwa.

Cee.... Dai Ari murume wako better boyfriend. Shaa kana ndichimuda ndongomubvuma.

Natasha.... Ndokurova.

Cee.... Ndasiyana naAngel anokutengera kumuita yese yese topedzerana.

Natasha.... Hure remunhu saka ndiwe ukumufurira manje ndoda kudziudza vanhu nyaya dzake.

Cee.... Wakatononoka.
Ndakabva ndabata Cee ndichiti anyarare sisi vaive vave kungofemera pamusoro. Zvisinei takapinda
mumasvingo kuma2 tichibva tatungamira kuenda kumb. Tichingono Mira pagate 3 girls dzakabva
dzabuda mugate nechavaiita pamba pedu ndakatochishaya.

Cee.... Ko idzi mbudzi dzikudei.

Me.... Mmmm handizive.

Vana daddy ndivo vakatanga kuburuka vana mom vachiteera. Isu tikazopedzesera.

Yolanda..... Aaaaa tete I was looking for you.

Akataura achitouya pandaive kwakuzo ndimbundira.

Yolanda..... Cee how are you.


Akabva apfugama mwana apa ndini ndaive ndakanyarara. Kwakutanga kubvunzai

vanhu mufaro zvine hunhu mukati. Ndakangopererwa kwakuramba ndakamutarisa.

Maiguru.... Ko tipeika maintroductiona tikungonzwa tete, tete totodao kuvaziva varoora Ava

Vakaseka vana mom nana mudhara. Ini ndakaramba ndakanyarara iye akabva azvi introducer.

Yolanda..... Ndinonzi Yolanda ndiri musikana waDaniel.

Natasha..... Aaaaa muroora simuka tone hesy Kani dear. Urisei..

Mama..... Ndafara kukuzivai muroora. Ndini mama vake .

Akaenda pavaive vakambundirana. I felt jealous then ndichibva ndazvibvisa mupfungwa


kwakunyemwerera sevamwe.
Me.... Let's go inside.

Takapinda mumba tese nana Yolanda vakabva vapindao. Natasha akanga ati kwati kwati naYolanda.
Ndakazongonzwa vave kukumbirana manumber ndakabva ndangonyarara.

Vanhu vakazooneka. Tichibva tasara zvedu na Cee. Manheru Daniel akafona. Achiti aive ave kuenda
kuDubai nebasa for 2 months that means aizodzoka tasara ne2 weeks kuti tivhure. Ndakarwadziwa
kuti ndaizogara nguva yakareba ndisinaye. Kumba akaenda akanooneka Zvakanaka naka..

..2 months later..

Mbuya vaive vabuda muchipatara varikumba vainzi vaive vave kugona kufamba asi Vaive vaonda uye
vaigara vachinzi BP yavo yakakwiririsa. Chaiikwidza ndaichiziva zvangu. Ini handina kumbobvira
ndavafonera.
Mama nadaddy ndaitaura navo almost every day uye tichifara. NaCee taive tonyanyisa kuwirirana
zvekuti vanhu vaiti titori vana vamai vamwe. Cee aive asati abvuma Munya aiti anoda kumboita
zvechikoro.

Daniel ndaitaura naye every time zvekuti tatakutodanana nepafoni. Zvekuti I hazvanzi yangu ndaive
datombozvikanwa. NaCee taive takaronga kuenda kumasowe asi taingoverengera.

Rimwe zuva ndakatodhiniwa zvangu ndichibva pachikoro. Ndakangonanzwa....

Voice.... Angel.

Ndakaita kuchururuka ndichinowira mumaoko ake. Tichibva tatitanga kukisana. Takakisana zvekuita
sekuti taive mumba pedu tega, ndaive ndatokanganwa zvekuti tiri pachikoro. Ndakazo vhundutswa
nevanhu vaiuchira.

Ndakaona Yolanda achiuya kwataive akaita kufuta chaiko.


Daniel.... Let's go babe.

Takapinda mumota kwakurova pasi. Takasvika kumba tikamisa mota panze foni yangu yakabva
yatanga kurira. Vaive aunty vaishanda kumba.

Me..... Hello

Aunty..... Ndakamboda kukubatsira asi wakaramba kubatsirwa. Nhasi ndezvipi. Mai vako vadonha
vari kufemera kure kure. Vasenderwa vedio yako naDaniel muchikisana pachikoro........

End of chapter

21

Ndakaramba ndakashama muromo. Daniel ndiye akazotora foni achibva atanga kutaura NaAunty.
Daniel.... Ndiani asenda.

Aunty ..... Hanzi musikana wako here anonzi Yolanda.

Daniel..... Okay mafonera ambulance here or madii.

Aunty..... Ambulance yauya vaenda kuchipatara nadaddy.

Daniel.... Sharp bye.

Akakata foni achibva atanga kundinyararidza. Ndaive ndave kutochema.


Daniel..... Babe one way or the other she was going to know about us.

Me.... Then what.

Daniel.... Switch of your foni ndinenge ndichikuudza zvinenge zvichiitika. Ini ndakutoinda Harare.

Me.... It's not good ndimai vanguo.

Daniel..... I know but please. For the sake of your health I don't want you to stress.

Me.... Haudi futi kundiudza zviri kundirwadza.


Daniel .... Ndozvandandauya kuzokuudza but hazvichaite andidi kukuudza ndichikusiya. Just take
care of yourself. Ooh Marii iyi woshandisa. I will send someone he will protect to you kuti usarohwe.

Me.... Okay.

Daniel.... I love you babe.

Me..... Love you too

We shared a kiss then tichibva tazoparadzana. Ndakapinda mumba ndichibva ndarara pabed. Pasina
nguva Cee akabva apinda. Ndakarangarira kuti ndaive ndamusiya kuchikoro.

Cee.... Ma love birds. He is a good kisser macommants Kani handina remumuromo.


Akabva anditarisa akaona ndichichema. Akakasira kutsweta zvinhu pasi. Achibva auya pandaive.

Cee.... Little sister chii.

Me..... Yolanda asendera mom video yangu naDaniel tichikisana

Akaramba akanyarara akabvura maziso.

Cee.... Then what

Me...... I don't know. The worse part is that vabva va collapser.


Cee..... Hiiii Pakaipa shamwari. But everything will be fine. Let's pray.

Me..... Zvekunamata zvacho handina.

Cee.... Just kneel down.

Ndakapfugama achibva atanga kunamata Cee. Akanamata zvekuti ndega ndakapedzisira ndapindao
mukunamata. We prayed for 1 hour. Patakapedza I felt kuti pane zvinhu zvaitika pandiri. Ndakanzwa
kuva strong.

Cee..... You can sleep now don't worry everything will be fine.

Me..... Okay. Usabike food yauya naDaniel.


Cee.... Okay rega ndiponotenga airtime ndoda kutaura namom.

Akabuda ndikasara ndakarara. Pasina nguva ndakanzwa noise panze. Door rakavhurwa zve hasha.
Ndichibva ndasimudza musoro. Paive naYolanda, Tino naPrincess padoor. Ndakaramba
ndakavatarisa zvene usingi.

Yolanda..... Hure. Wanzwa hure remunhu. Why were you kissing my boyfriend. Hee

Tino..... Ndakagara ndazviona kuti ane madhimoni echihure. First time yangu kunzwa munhu
anokissana nebrother yake.

Princess..... Why are we worsting time girls let's deal with her.

Cee..... Mozviita ndakafa kwete ndiri mupenyu never.


Tino.... Inzwao iri rekuda kuchengetwa.

Yolanda akabva kwaaive achibva auya akada kundirova. Akabva abatwa naCee asati andirova. Tino
akabva andikava Cee asingaone. Mbama yaakapiwa yakandivhundutsa.

Cee.... Stay away from her. Haasi mwana wenyu kana achirairwa acharairwa nehama dzake.

Yolanda..... Thus my boyfriend ngaasiyane naye.

Cee.... Iwe enda unotaura nemukomana wako adzikame wanzwaka.

Yolanda.... Dakuona kwazvinosvika.


Cee.... Chibudai.

Vakabuda vasikana nekuti vaive vave kutya Cee. Pachikwata chavo wavaitoti anorova ndiTino manje
anga apiwa twekwake.

Ndakadzokera pakurara zvekare. Ndakazomutswa nefoni ari Daniel.

Me.... Hello.

Daniel..... Hesy wasara sei.

Me..... Ndasara bhoo. Daniel ndokuda no matter what


Ndakangokaruka ndataura asi hazvisizvo zvandaida kutaura.

Daniel..... I love you too babe. How are you feeling.

Me.... Ndiribhoo mom varisei.

Daniel.... Ndadzingwa namudhara.

Me.... Kudzingwa?

Daniel..... Yes hanzi hamusi vana vangu. But doctor wandafonera ati ishock she will be fine.
Me..... Hoo pane ambokufonera here .

Daniel..... Kwafomewa group iwe uri kutsvagwa mugroup racho. Ini ndangova vasendera sms yekuti
ndine mafeelings newe uye handitozvive kuti zvokonzerwa nei zvakatanga ndiri form 6 but
wekuudza ndiye wandakashaya.

Me... Zvikanzi chii.

Daniel.... You need to read for yourself enda paapp unoona. But ndo reserve any call. Kana kutopa
Cee adaire oti wabuda arikutokutsvagao woona zviri kutaurwa. But don't stress hanty. Just know
that I will always be there for you.

Me...... Okay.
Ndakakata foni ndichibva ndatoudza Cee zvaivepo. Achibva atotora foni yangu yaive pachaja
kwakuiita on. Ichingo lighter tete vakabva vafona. Handina kuidaira. Yakakata bamukuru vakafona,
Ikakata maiguru vakafona, Natasha never vana vatete nabamukuru murume waTete vakafona futi.
Asi ndaisadaira ndakazviisa airplane mode ndichibva ndaenda kuwhatsapp. Mugroup maive
nemamessage 200 apa raive rangadzirwa musi iwoyo. Ndakavhura ndichibva ndatambirwa
nemavideo yemusi uwoyo neyakare yaive yakatorwa naNoman. Aive asendwa naNatasha. Then
pazasi paine mamessage yaive yakati.

� Natasha..... Ndiyo mashura Ari kuitika mumhuri. Ndizvo zvakaita kuti gogo varware. Noman
anetsane naDaniel.

Vanhu vakatanga kutuka ainyanya kutukwa ndini. Kusvika nguva dzakazosenda message naDaniel.

� Daniel..... Ndine urombo nezvaitika. Sorry to tell you this today. The thing is Ini ndine mafeelings
naAngel. I tried to do everything zvikaite kuti ndibvise mafeelings but zvakaramba. Vasikana
vandakaita nevandakarara navo in the process vanogona kusvika 50 but nothing changed. Angel did
the same anonzwao that same feeling. Ndizvo zvakaita kuti amboda kunwa mushonga mazuva aya
aakambogara muchipatara. Handizive zvangu kuti muchaite seika asi ndaikumbirao mupedzerane
neni. Kuna Angel ndaikumbirao musamurova zvogona kutora life yake. Vane shungu dzekurova am
available not Angel.

Message yakateera yaibva Kuna maiguru.


�maiguru..... Imbwa yemunhu asarohwe nekuti adii. Tikutosimuka nhasi kuenda kumasvingo
kwacho ikoko.

�tete.... Muroora wangu akafa mufeo

Vanhu vaingose da zvavanoda wa asina kumbosenda chinhu ndi baba vangu, Mai, nabamukuru.
Ndakangozodzima foni ndichibva ndarara.

Mangwana acho ndakamutswa naCee akati tinamate. Takaita epowerfull prayer tichibva tagadzirira
kuenda kuchikoro ndidzo nguva dzakafona Daniel.

Me..... Hello

Daniel..... Hanzi momz vamuka but vanoda kutiona tese. Hanzi havana chavadya vari kungochema.
Me..... Ndocha

Daniel.... Don't worry machuma zvopera soon hanty.

I signed zvaakanzwa

Daniel..... Vanhu vese vari kuenda vana bamukuru vatosvika kuseni kuno.

Me.... Vato chii.

Daniel.... Hapana vati vanoda kutiona chete. Vanhu vese vanenge variko so ndatuma munhu
anosvika kuma10 wobva watouya.
Me..... Ndine maexam.

Daniel..... Uchanyora machuma

Me..... Ko ndikarohwa.

Daniel.... Ndendiripo haurohwe.

Me.... okay

Ndakakata foni ndikatarisa cee.

Cee... Everything will be fine ngatirongedze Ini ndodzoka kuswera mangwana.


I nodded tichibva tatotanga kurongedza. Mamwe mapaper ndaive ndadzora kwasara mashoma
shoma.....

End of chapter

22

Takauya tikatorwa tichibva tapinda munzira tonanga harare. Munoziva zvaunoita kana uri kuchikoro
mukanzi ndoda kukurovai after break, Break racho rinokarisa kupera. Ndizvo zvakaitika pataienda
Harare mota yacho yakandimhanyira zvandisina kutarisira patakasimuka. Takapinda muharare Kuma
2 tichibva tafonera Daniel akati tiuye kumba.

Takasvika tikaburuka pagate tichibva tapinda mukati. Hana yangu yaiita kurova ndichihuta.
Cee... Be strong Angie.

Akataura tave kupinda musitting. Takapinda ndichibva ndangotenderera ndichimhoresa vanhu. Vese
hapana aidaira. Maive namom ,daddy, Bamukuru,maiguru, tete,Never,Noman,Natasha , Daniel na
mbuya. Ndakashamisika kuona Yolanda aripo akatozembera mama. Takabva tazogara pasi.

Natasha..... Uyo waunaye ngaabude muno this is a family meeting.

Akasimuka chinyararire kwakubuda. Yolanda akasara aripo. Hameno kuti aive ave member yefamily
here.

Bamukuru..... Nhaimi zvii zvandiri kuona zvinosemesa kudai. Iwe Daniel ibva pasofa ugare pasi.

Tese takaramba takanyarara. Daniel akabva agara pasi.


Maiguru..... Pamwe mogona kublamer vana. Ivo vasiri verudzi rwuno ka vari vemusango.

Daddy..... Musadero maiguru mukadzi wangu ndakamuwana Ari mhandara ini.

Mbuya.... Zvekuti mhandara zvozivei. Taura iwe baba vevana Ava varipi nekuti kwedu kudzidza
hakuna svina dzakadai.

Mama vakabva vatanga kuchema. Vakachema zvandakanzwa tsitsi.

Daddy...... This has nothing to do with my wife veduwe.

Tete.... Nyararaataure ega. Ndakamboda kukuudza kuti mukadzi wako anongoyema yema ihure uyu
hure chairo.
Mom..... Tete handisi hure ini.

Mbuya..... Nyarara uko.

Daddy.... Musadero mukadzi wangu pano mauya kuzotonga vana not Mai vacho.

Bamukuru..... Kana uchigona kutonga watidanirei. Unoti kuita Mari kutidarika zvoreva kuti iwe
nemhuri yako makutoita zvamoda kusvibisa dzidza.

Daddy..... Nhai mukoma ko izvozvo zvapinda papi.

Mbuya..... Handina kukuudza here uchiroora kuti mukadzi ngaasaende kubasa uyu.
Daddy.... Zvamakuita handichazvide izvi.

Tete.... Saka takuenda woziva kuti iwe womira woga nemhuri yako.

Daddy..... Handina kudero ini. Asi mukadzi wangu ndakamuwana akazara.

Bamukuru..... Saka ngapaitwe DNA test. Fonera doctor.

Daddy.... Mai Dee munoda.

Mbuya.... Hona zvarinoitwa rakadyiswa.


Mom vaingochema. Bamukuru vakabva vatofonera family doctor wekumba kwedu. Aive mudhara
atokura. Ari doctor aizivikanwa. Akabva atoti aiuya then maresults aizoitwa manheru.

Bamukuru..... Meeting yapera tichaita maresults abuda.

Natasha akabva asheedza Yolanda vakabuda. Ini ndakaenda kuroom kwangu ndikawana Cee akagara
ndakabva ndasvika kwakumuudza zvese zvaive zvaitika. Ndichibva ndamborara zvishoma. Doctor
vakauya vakatora ropa vachibva vaenda. Ini handina kukwanisa kana nekudya. Munamato wangu
waive wekuti tisave veropa rimwe. Kutaura chokwadi Daniel ndaive ndave kumudisisisa.

Kuma zuva rodoka ndakanzwa zvave kunzi huyai kumeeting. Ndakasvika vangu vazhinji vavemo
ndakagara pasi.

Bamukuru.... Ko Daniel haana kunzwa here.

Vachiri kutaura akapinda Daniel akapfeka trousers re red me shirt ye white nemapush ewhite. Aive
akandinakira kudarika mazuva ese. Ndakanyatsonzwa kumuda. Akasvika akagara pasi. Bamukuru
vakabva vabudisa bepa kwakupa daddy. Daddy vakapa mama. Vangu vose vakapiwa bepa vachiona
kusvika rasvika paive naDaniel. Akaramba akaritarisa achibva angotanga kuri unyanidza zvishoma
nezvishoma akatarisa mberi mumaziso makajenga misodza.

Bamukuru.... Ipa Angie hatidi kupedzerwa nguva.

Akanditambidza bepa riya ndichibva ndatarisa. Ndakarohwa nehana ndichiona tese tiri vana
vemunhu 1. Misodzi yangu yakabva yatanga kuyerera. Kwete nekuti ndaifunga zvandakaita asi nekuti
ndainzwa kurwadziwa ndaisada kurasikirwa naDaniel. Moyo wangu waive waperera paari

Bamukuru.... Mazvionaka DNA yati muri hazvanzi ne hazvanzi baba vamwe Mai vamwe. Chitiudzai
muri kuzvifambisa sei.

Natasha..... Daniel kutosiya musikana akanaka kudai kuchiita chihure.

Tete..... Daniel mubvisei apa iri hure ndiro rinoda chikoro. Ndatonzwa kuti kuchikoro kwenyu unoita
basa rekurara nevarume vevanhu. Wakatomborohwa. Hure remunhu.
Me.... Tete ndiri mhandara ini.

Mbuya..... Unoti hatizvizive kuti Mai vako vanokupa mishonga yeumhandara.

Mom.... Mhai ( vakaita kudanidzira zvine ukasha mukati)

Tete..... Wawafunga kudii kuvarova here

Mom vakangosimuka vakananga kubedroom vachichema. Zvaive zvavanyanyira Mai vangu


ndaitovanzwira tsitsi. Daddy vaive vangonyararao vari mukona.

Never..... Kubva nhasi iwe angel hakusisina achakubhadharira chikoro. Hameno kuti uchapinzwa
nevarume vako here kana kuti.
Tete..... Iwe Daniel ndataura nemusikana wako Yolanda haachatoende achasara pano atove mukadzi
wako.

Me..... Aaaaa havadanane avo.

Ndakarohwa mbama nabamukuru ndakavarairwa.

Bamukuru..... Hure remunhu unoteerera hazvanzi kuti zvidii ndaimboona seune hunhu asi ....

Daniel..... Bamukuru musamurove pedzeranai neni.

Bamukuru..... Natasha Tora chamboko mumota. Ndoda kutomurovera muromo wako iwoyo.
Daniel.... Bamukuru rovai inini.

Mbuya..... Nyarara uko. Yolanda atove mukadzi wako

Daniel.... Handina kumbobvira ndamunyenga ini.

Tete..... Saka makadanana sei.

Noman..... Weather you like her or not hakusisina kwanoenda mainini moudza mashamwari enyu
atumire bag rehembe. Natasha uchatombogara pano kuitira kuti hure iro risa torere Yolanda
murume.

Vakapiwa chitiropo bamukuru. Daniel achibva aita kuvajambira. Asati asvika aive abatwa naNoman
naNever
Never..... Garai pasi bambo.

Daniel..... Mokuvadza munhu uyo.

Bamukuru vakabva vasimudza chamboko chiya kwakundirova chichicheka nemumusana uku.


Ndakanyatsonzwa kuti musana wangu waregedzeka.

Ndakabva ndapfugama. Ndakatarisana navo bamukuru ndichiita kuridza mhere. Baba vangu vaive
vakavhara kumeso.

Mbuya.... Ndipe bhande rako iwe Never. Ndirove munhu varikutadza Ava.
Ndakachizochema kwete zvekufungira. Ndakachema asi hazvina kubatsira. Daniel aingobudisa
misodzi akabatwa naNever naNoman. Aive akanditarisa ini ndaipota ndichibutarisa. Ndaibva
ndanzwa kutonyanya kumuda zvakadero. Kurohwa kwandaiita kwaitoita sekuti kuri kukuchidzira
rudo.

Mbuya vakapiwa bhande ravoo. Vachingononditi shambu, bamukuru vakabva vadzokororora


nemumusana umu. Ndakanzwa kunyorova kwepant. Ndikafunga kuti pamwe ndazviitira weti.

Bamukuru vakabva vandipamha vese nambuya. Ndakabva ndanyatsonzwa kuti waa. Kwakutarisa
paskirt yewhite yadzaive dzakapfeka. Yaive yazara ropa raiita kuteuka kwete kuyerera. Mbuya
vakangobata muromo vachibva vati.

Mbuya..... Inhumbu yakutobva ka iyi.

Bamukuru...... Nhumbu?
Vakabva vazamudzira nesimba ravo rese kwakundirova katatu. Ndakatanga kuona zvinhu zviviri
zviviri. Nekunzwa kuti muviri wese waihuta.

Daddy..... Mauraya mwana wangu.

Daniel.... Ndakuudzai kuti pedzeranai neni.

Kuhuta kwakachinja kukava kugwina munguva diki diki. Ndakabva ndandoda pandaive
ndakapfugama ipapo. Ndakanzwa Daniel achiuya achichema. Akasvika akandibata.

Daniel...... Open your eyes Angie open your eyes.

Simba rekuvhura maziso ndaive ndisina. Asi rakauya ndikakwanisa kumavhura zvishoma. Daniel aive
akabata musoro wangu akanditarisa mumaziso. Ndakamutarisa mumaziso ndikango kwanisa
kutaura mashoko matanhatu anoti.
"I love you no matter what?"

Daniel..... Please Angel don't please don't.......

Aiita kundizungunusa. Zvimwe zvaakazotaura handina kuzvinzwa ndakabva ndavhara maziso,


kugwina kukaperera ipapo.......

End of chapter

23

.. Mai Daniel..
Pandaka roorwa nababa Daniel ndakafara kuti ndakanga ndawana baba vangu, shamwari,
munyaradzi wangu. Nekuzoita vana ndakapembera. Ndidzo dzega Hama dzandaive nadzo
muupenyu hwangu.

Ndiri musikana ndakangoita vakomana vaviri. Wekutanga taive tese pa orphanage tikangozo
paradzana awana basa kunze kwenyika haana kuzombondifunga. Wechipiri aive baba Daniel hatina
kumbodanana kuva refu akabva atondiroora. Chakanyanya kumufadza nekuzoita kuti anyanye
kundida ndechekuti akandiwana ndiri mhandara. Yes ndaive ndisina kumbosangana nemukomana
kiss chaiyo ndakatanga kuipiwa nababa Daniel. Mukomana wangu wekutanga aive asingaite izvozvo.

Ndaroohwa handina kutora nguva ndakabva ndaita nhumbu pamazuva acho murume wangu aive
achangotanga kushanda asi Mari yaivepo irinani chose. Zvese zvataiita taienda Kuna family doctor
wekumba kwavo. Mascan kurapwa zvese ndiine nhumbu. Everything went well kusvika zuva
rekurwadziwa nenhumbu. Ndakaenda kuchipatara ndichibva ndanopona mwana wangu mukomana
Daniel. Ndinorangarira kuti musi wacho ndini ndega pachipatara ndakapona. Paitonzi pave
nemazuva matatu pasina apona. Ndakazotorwa nemurume akafara achiona mwana wedu Daniel.

Takagara makoke Daniel achikura zvakanaka ave ne5 years ndakaita iwe nhumbu. Nhumbu yangu
yaida vamwene vanhu zvekuti ndakatozoenda kumusha yazvika 6 months ndakanogara. Mazuva
angu akakwana ndakarwadziwa nenhumbu. Ndinoranga kuti musi wacho kwainaya saka mota
yataifanira kuenda nayo yakanyura ndichibva ndaponeswa navamwene vanhu, akaita musikna
tikamuti Angel. I was happy kuti ndawana munin'ina, sisi, Mai zvese zvangu. She grew up Ari queen
ndaimuda mwana wangu she was more than beautiful asina musikanzwa yevakomana. In fact vana
vangu vese vaive nehunhu hwakanaka vese vachigona chikoro kana arisa Daniel aiita kudamura
chikoro.
Handina musi wandakamboita dambudziko rekuhurirwa nemurume. Kana aiita aiita zvake
ndisingazive. Pakaenda Angel kuGZU ndakarwadziwa ndaida kuti auya paUZ asi ndaidazve kuti
mwana wangu asarudze ega zvaanoda mulife yake.

Takasara tichifara senguva dzese asi chaindoshamisa ndechekungo chinja kwaive kwaita vana vangu.
Kunyanya kuvengwa nevana vabamukuru ivo pachavo vairatidza kushaya hanya nesu vabereki.

Kusi wandakatumirwa video nemusikana waDaniel ndakamufonera ndichiti pamwe i computer


yazviita. Akatanga kuchema zvekuti mumoyo mangu ndakangoti ndizvo ndichibva ndatodonha.

Pandakamuka kuchipatara murume wangu akandisimbisa achibva atondiudza kuti ndizvo zvaiita kuti
vana vabamukuru vanetsane nevana vedu.

Pakazoitwa meeting ndakarwadziwa nemashoko evanhu ndichibva ndabuda ndikanorara


pamubhedha ndichichema. Pandakanzwa Angel achirohwa Moyo wangu wakainda kure. Angel
ndaive ndisina kumbomurova muupenyu hwake hwese aiterera mwana wangu. Handina
chandaigona kuita asi kungobata ura rwangu. I loved mwana wangu at the same time ndichiona kuti
she deserves kurohwa.
Ndakazonzwa kuscreamer kwemunhu ndichibva ndatanga kunzwa kuti wauraya. Ndakamuka
chahwiriri ndichinowira pamwana wangu. Mashoko ake ekupedzesera aiti.

"No matter what I love you"

Moyo wangu wakaenda kure achivhara maziso ake. Daniel akamusimudza. Ndidzo nguva
dzandakaona ropa raiita kuteuka kubva paari. Moyo wangu wakaenda kure. Daniel akamhanya naye
akanomuisa mumota achibva atopinda kwakuimutsa tese takapinda mudzimota tichiteera. Haana
kuenda kwafamily doctor akaenda kumweo. It was a private clinic. Achingomisa mota pakauya
vanhu vanenge 3 vakadzi nemurume. Vakamutora vakamupinda mukati. Daniel akabva atopinda
mumota kwakudzokera. Tese takasara takangogara.

Bamukuru.... Why did he come here ndipo padoctor wedu here pano.

Tete.... Chikuru kurapwa.


Vanhu vese vakabva vanyarara. Akadzoka achibva apinda mukati tese takabva tateera. Akasvika
akamira akabata mapaper aaive nawo. Nemapassport mumaoko. Pasina nguva akauya doctor uya.

Daniel.... How is she Joel

Doctor..... I managed to serve her life for now but eish ( akabva ambodzungudza musoro)

Daniel..... Joel tell me.

Makabva mapinda nurse achibva adeedza doctor. Doctor akaenda Daniel achibva ateera. Haana
kutora nguva Daniel akadzoka Ari misodzi yega yega akasvika achibva ambundira shamwari yaAngel,
Cee. Akabva atanga kuchema zvekubudisa voice.

Tete.... Anzii Daniel.

Haana kupindura akaramba achingochema.


Cee..... She is a strong girl she will be fine.

Daniel.... Cee she... she... S....

Akabva atanga kuchema zvekare. Doctor vakapinda.

Doctor..... You have to make a plan within 2 hours we might loose her Daniel.

Daddy.... What is it, what's going on.

Doctor..... Arasa ropa rakawandisa, uye makidneys ake akanganisika she needs a donor who can
donate makidneys and chibereko chake chazvimba. But for now we need a person who can donate
makidneys.

Daddy..... I can do it.


Doctor..... I don't think it's possible because of your age. Your life can be in danger.

Ndakaita kugara pasi chaipo ndichishaya zvekuita. Pakaita almost 1 hour munhu wese achingofamba
famba. Cee ndiye aingofona fona achibuda panze.

Me..... Bamukuru mwana wangu akafa I will never forgive you.

Mbuya.... Haiwa futseke ozve iwe. Hure rinoraramirei.

Daniel akasimudza ruoko rwake achibva apa mbuya vake mbama. Bamukuru vakabva vamubata
vachida kumurova. Akavasundira kwakadero. Aiita kuhuta nehasha zvekuti aive asisabatike. Vanhu
vaingosundidzirwa kure uko achida kungorova bamukuru. Ini ndaive ndakagara pasi. Mbuya vakabva
vauya pandaive vachibva vati.

Mbuya.... Unozvionaka zvawakazvara. Hure remunhu handidi kukuona kumba kwangu iwe nevana
vako. Handisisiri hama yako. Ndayenda Ini.
Vakabva pandaive vachibva vabuda kuenda. Bamukuru nemukadzi wavo nevana vavo na tete
vakabva vabuda vakaenda sarei ini, Daniel, baba vake naCee. Mumwe nemumwe aingofamba famba
paaive. Doctor akabva apinda zvekare.

Doctor...... 10 mins Mr Daniel.

Cee.... I can donate.

Daniel akangosvika nekumusimudza achibva atenderera naye. Akabva apinda naDoctor mu Theater
muya. Pasina nguva doctor vakadzoka nemapaper.

Doctor..... It's possible so you can sign but I don't know if she will make it because we are late.

Daniel..... Please Joel she must be alive for me.


Doctor vaya vakabuda vachibva vatoenda kunooperator. Foni yaBaba Dee Yakabva yarira bdini
ndaive nayo saka ndakangodaira nekuisa paloud.

Family Doc..... Saka ndozvawakuita zvekundirasa kudai. Sure ungaendese mwana wako kune umwe
doctor asi...

Ndakangokata asina kupedza kutaura. Munhu angatotsamwire zvisina basa pachinhambo


chekutotipa solution. Takagara for almost 2 hours ndipo pakazobuda doctor hwaive hwatove usiku
chaihwo.

Daniel.... How did it go

Doctor.... kuna Angel I don't know yet. Cynthia is fine atomuka mogona kunomuona.

Takasimuka tikaenda kwaive naCee.


Daniel.... Cee from today you are my sister, everything you want financially consider it done, and for
this am still thinking kuti ndokuitirei.

Cee.... She my sister Daniel.

Daddy.... Thank you my daughter.

Takatanga kuita nyaya tikazobvako Kuma 4 koyedza tave kunogedza nekugadzirira kudzoka
makuseni. Takaenda nemota yaDaniel hapana aitaura neumwe munzira.

Tichingosvika kumba tisati taburuka doctor wekwatatabva called pafoni yaDaniel achiti.......

Ndakarohwa nehana ndikatanga kuchema.....


End of chapter

24

.. Daniel..

Pandaikura ndaisanzwisisa chinhu chinonzi rudo. Ndaitoti ndikaona munhu anochemera mukomana
kana musikana ndaibva ndaseka. Asika chokwadi ndechekuti kana usina kumbochema kana
kunyanyisa kurwadziwa hausati waziva chinonzi rudo.

Mbuya nabamukuru vaive vandigumbura kusvika pekupedzesera. Baba vangu vakangokura vari
munhu akanyarara, saka zvekutaura vaive vasingade. Ini ndakabva ndanyararao asi ndisingade
zvisina basa.

Pandakanzwa bamukueu vachiti munhu wa Engineer anoshaya kana imba ndakatoseka zvangu. Yes
zvinhu ndaive nazvo ndaive nedzimba 3. 1 kumarondera iri iyo diki yacho. Ndiyo zvekare yaive
nemidziyo yangu hembe nemapaper ezvinhu zvangu zvese. Imwe kuwaterfalls muharare ine 10
rooms yaiva nemuloja. Imwe kuZimre ine 16 rooms ndiyo yaive hombe uye ndichida kuzoigara
zvekare. Ndaive ndakavhura maHardware shops maviri, imwe mumarondera imwe muharare.
Ndaive zvekare nemagonyeti maviri aienda kuDRC ne mota 2. Imwe yaizivikanwa kumba. Zvimwe
zves hapana aizviziva, ndaingove nekamweya kekuti pfuma yangu ndeyangu. Munhu aitoziva
nezvazvo ilawyer rangu neshamwari yangu Doctor Joel. Chandaizviitira chaicho ndaisachiziva asi
ndaingonzwa ka mweya kekuti usawana waunoudza zvinhu zvako. Pamba pevabereki handina
kumbobva, kana kutenga mubhedha asi Mari ndaivapa mai yekuti vaite zvavanoda.

Rimwe zuva ndakatombo bvunzwa namama

Mom.... Nhai Daniel mwanangu ko unodii kuchengeta Mari kuti utenge stand wovaka zvishoma
nezvishoma.

Me..... Asi hamuchandidi pano

Mom.... No ndokuda mwanangu but it's good kuti ungoitao zvinhu zvako.

Me..... Ndichaita ndaroora.


Panguva yacho ndaive ndatove nedzimba 2. Asi handina kuvaudza kubva ipapo Havana kuzobvunza
futi. Hembe zhinji dzaigara kumarondera asi pasina aizviziva. Mai vangu vaimbopota vachinditengera
hembe vachitoti handina izvo ndaive nadzo zvangu. Asi chandaizviitira chaicho ndaisachiziva.

Pfungwa yekumboenda kuDubai yakambondibata zvine simba. Pandakaona kwagadzirwa group


tikatanga kutukwa. Ini hangu kutukwa kana kurohwa ndaive ndisinei nazvo asi pana Angel ndaisada
munhu. Manje pfungwa iyoyo yakapera ndafonerwa nadaddy vachiti Mai venyu vadonha.
Ndakangofunga kuti ko kana vachidonha nhasi kuzoti mangwana. Ndakabva ndangomirira kuuya
kwevanhu.

Pakarohwa Angel moyo wangu wakaenda kure. Ndakanzwa kuvenga bamukuru nemhuri yavo na
mbuya vese naTete. Angel wangu ndaisada naye. Ndakafonera Joel akanditi ndiuye naye kusurgery
kwake. Zvafamily doctor ndaisada. Ini ndakangokura ndiri munhu asingade zvemagroup. Ndaiita
zvinhu zvangu ndega nenguva yangu.

Kukuvara kwemakidneys nezve chibereko ndaive ndambozviudzwa asi akapiwa mushonga waive
wabva kuChina. Ndiwo wakanyanya kumubatsira. Manje apa ndaive ndatopererwa.

Cynthia Cynthia Cynthia, kutaura chokwadi akatumwa naMwari mulife yaAngel. Paakataura zvekupa
Angel kidney ka I thought it was a dream but ndakatozozvi gamuchira atopedza basa Joel. Kubva
ipapo ndakamuda sehazvanzi yangu. Ndakatsidza kuti ndaizo muchengeta kusvika paaizoroorwa.
Nehazvanzi yake ndaizopinza chikoro kusvika paanoda.
Takazodzokera kumba kwakutoedza tichibva kuchipatara. Ndakashamisika kuona mota yaBamukuru
ichiripo. Ndakashaya kuti vaive vachiri kudei sezvo zvaive vaoneka pataive tichiri kuchipatara.
Ndakabva ndagopinza mota kwakunanga muroom mangu. Ndakawana makabvurwa ndaive ndasiya
ndisina kukiya. Uye ndaive ndisinga tokiye.

Ndakashamisika kuona pamubhedha pane munhu. Ndakambofunga kuti pamwe ndiNever asika
dzimba dzaive dzakawandisa aifanira kungonorara muimba yevaenzi. Ndakabva ndabvisa trouse
kwakunogeza. Ndikadzoka ndakapfeka boxer chete. Ndakasvika ndichifukura machira kuti ndipinde.
Ndakashamisika ndichiona Ari Yolanda apa aive atomuka. Ndakango Buda mumachira ndikapfeka
hembe.

Me..... Ukudei muno Buda.

Yolanda..... Ndakatizira shamwari watove murume wangu. Pachinhambo chekuswero teererana


nehazvanzi womboita zvangu.

Me..... Yolanda Buda kumbobvira ndakunyenga Buda.


Yolanda..... Asi wakararaneni.

Me..... Ukawana gaba reshuga rakavhurwa unongihwirao ndozvandakaita saka buda iwe ndakahura
newe kana uchida Mari tell me ndikubhadhare kwete zvawakutanga izvi.

Yolanda..... Shaa this time wakatamba nevakanzwara ndatove mukadzi wako kuzvida kana kusazvida
yave yako iyo. Bag rangu iro.

Ndakacheuka ndichibva ndariona. Ndakabva ndangonyarara. Ndaisada zvekutaura, ndakango budisa


machira angu muwardrop kwakurara pasofa.

Yolanda..... Ramwa uchauya hako.

Ndakamunyararira ndichibva ndarara zvangu. Hope hadzina kunonoka kubata. Ndakabva ndarota
ndina Angel tiri panzvimbo yakanaka. Asi papane rwizi. Saka pamba pasvika chikepe chichibva
chamira pedyo nesu chaive chakanyorwa kunzi Angel. Angel akabva achitarisa kwakutanga
kunyemwerera achibva atanga kutaura.
Angel..... Wakatadza kundichengetedza Daniel, chikepe changu chauya ndave kuenda.

Me..... No Angel i love you please Angel don't go.

Angel.... Waidei wakandichengetedza Daniel.

Me..... I promise to protect you.

Angel akabva apinza gumbo rake 1 muchikepe chiya. Ini ndichibva ndasheedzera kuti Noooo ndiko
kupepuka kwandakaita. Hana yangu yaiita kurova.

Daddy..... Ko chii.
Ndakasimudza musoro kwakuona kuti maitove nevanhu vaive vapinda. Ndakabva ndatanga kutsvaga
tsvaga foni yangu.

Mom.... Chii.

Me.... Nothing.

Ndakaiwana ndichibva ndatofonera Joel

Joel..... Bambo.

Me.... How is she.


Joel..... Am on my way there ndandaenda kunochinja.

Me..... Hope dzandarota dzotyisa saka mhanya ndakutouya.

Ndakakata ndichibva ndatopfeka bhutsu ndave kubuda ndakabva ndabatwa nabamukuru.

Bamukuru.... Hauendeka tisina kutaura. Wakarova Mai vangu zuro vanoda kuripwa

Me.... Marii ( ndakataura ndichitobudisa wallet.)

Bamukuru..... Hazvisi zvedzungu. Handei togara.


Ndaive ndisingade zvenharo takaenda kusitting kwakugara hapana wandakamhoresa vanhu vese
vakaramba vakanyarara vamwe vachigara pasi.

Bamukuru..... Mbuya taurai zvamoda kuripwa nazvo.

Mbuya..... Daniel ngaaroore Yolanda

Me..... Ticharoora kana Angel amuka.

Bamukuru....hakuna izvozvo kunoroora mangwana. Kana musingadi isu tave kuenda. Chero afa
musatidane, arwara musatidane, zvese zvenyu musatidane.

Me.... Fine mufambe bhoo.


Ndakabva ndasimuka, mom vakabva vandibata makumbo kwakutanga kuridza mhere. Baba vangu
for the first time vakayeredza misodzi. Ndakabva ndavanzwira tsitsi ndichibva ndagara pasi.

Me..... Handina Mari yacho yekuroora.

Mbuya.... Baba Daniel Tora lawn.

Daddy.... Ndinayo Mari mhai hanty $3 000US Inokwanaka.

Yolanda..... Panoda 5 senani.

Daddy..... Iii yawandisa.

Mbuya.... Kana usingade regera


Daddy..... Ok ok don't worry by tomorrow inenge yavepo..

Bamukuru.... Good so takufonera munyai tipiwe date manheru tinenge tave naro.

Daniel..... Handi zvamoda zvaita bye.

Bamukuru.... No imwe nyaya ndeya Doctor wako uya. Muno mumhuri tinorapwa naDoctor umwe
chete saka kana muchida kuti tiwirirane motobvisa Angel kwaari aende kwedu uko.

Me..... Izvo rotai mudhara. Hazvifi zvakaitika.

Bamukuru.... Kana ndichingori mupenyu zvoitika.

Foni yangu yakabva yatanga kurira ndisati ndadaira mabumukuru. Aive Joel.
Me.... Hello wadii.

Joel..... Her life is in danger Daniel. She needs blood come right now uzo donater.

Me..... What happened.

Joel..... She might die anytime soon come fast..

Yakakatwa foni ndichibva ndaita kupepereka ndichinowira mumota.......


End of chapter

25

Ndakafambisa mota sendaipenga ndakananga kuchipatara. Ndakasvika nekumhanya kuoffice


kwaJoel. Ndakasvika musina munhu. Makabva mapinda nurse panguva yandaive ndave kudà
kubuda.

Nurse..... Doc is busy with Angel so please wait for him.

Me..... Am here to donate blood.

Nurse.... He is coming.

Ndakagara kwekanguva, achibva azouya Joel.

Me..... How is she.


Joel.... She is fine now. 1 of our nurses donated for her

I signed kwakuti.

Me.... So how is she now.

Joel.... Better pane zvaanga ave.

Me.... Good can I see here

He nodded achibva aenda mberi Ini ndichiteera. ndakanomuona Angie achiita sekuti akarara zvake. I
kissed her paforehead ndichibva ndabuda. Ndakadzokera kumba kwakunopinda muroom mangu
ndika wana pabed pasina kuwaridzwa. Ndakangotora changani bag kwakuisa zvinhu zvangu zvose
imomo. Ndichibva ndabuda nazvo pasina aiona. Ndakatuta zvese kusiya machira aive mu wardrobe
chete. Ndakabva ndakiya 2 madoor mamwe ndikasiya Ari empty. Ndakabva ndanopinda mumota
ndidzo time dzakauya Yolanda.
Yolanda..... Ukuendepi.

Me..... Town.

Yolanda..... Ndoda kuendao.

Me.... Hauna kugeza kana kugadzira pawarara saka unoendepi nesvina idzodzo.

Ndakabva ndavhara door. Zvaakazotaura handina kuzvinzwa. Ndakabuda ndakananga kuMarondera.


Ndiko kwandakaswera zuva rese. Kuma nheru vakafona bamukuru..

Me.... Eee mudhara.


Bamukuru.... Uripi.

Me..... Norton.

Bamukuru.... Kunei

Me..... Basa.

Bamukuru..... Vana tezvara vati kuroora mangwana manheru saka unofanira kuuya tiri kuenda tose.

Me.... Ehoi.
Bamukuru ..... Bye.

Ndakabva ndakata zvenharo ndaisada asi ndainyatsoziva ndechekuti hapana kwandaizoenda.


Ndakarara zvakanaka. Mangwana acho ndakamukira kunoona Angel. Cee akabva anzi achibuda
muchipatara. Ndakamutora kwakuenda naye kumarondera. Yes nekuti ndaisada kudzokera kumba.
Kumasikati ndakangotumira bamukuru sms yekurti endai henyu ndakundikana nebasa. Takaswera
tichingoona mamovies. Zuva rovira ndakabika tichibva tadya kwakunorara.

Mangwana acho ndakamukira kugadzirira kuenda kwadoctor. Tave kusimuka ndidzo nguva dzakanzi
naCee mama vake vafona vachiti kana abuda muchipatara auye kumba. Kuti vazogara naye kusvika
apora.

Ndakapinda muharare kuma10 ndina Cee tichibva tananga kumba. Takasvika pamba paina aunty
Vega.

Me.... Ko vamwe varipi.


Aunty.... Vaenda kumusha mukadzi wenyu ari kuperekwa nhasi.

Cee akabva asunga kumeso achibva amira.

Cee..... So you agreed.

Me.... Cee am sorry I did it for my parents.

Cee.... Her happiness don't matter right

Aunty.... Hoo saka ndiwe uri kufurira Angel kuita chihure. Kahure kemunhu.
Daniel..... Makufarisa, zivai zvamakavinga pano, otherwise munobva.

Aunty..... Kanganwa ndiwe ungatobve.

Ndakango vatarisa zvekutaura ndaisada ndakabva ndabva pavaive ndave kuenda mumba maAngei.
Akateera Cee. Achibva atora zvinhu zvake. Takadzokera mutown ndichibva ndamupa Mari
yakawanda nekutenga chikafu hembe nezvimweo zvaaida. Ndakabva ndamutsvagira mota yekuenda
nayo.

Me.... Cee zvese zviri kuitika zvingaitike hazvo asi just know kuti Angel ndomuda and am ready to do
anything to win her.

Cee..... Okay tetichitaura every time.

Me.... Take care.


Takaparadzana ndichibva ndadzokera kunoona Angel. Ndakaswera zuva rese ndiriko. Ndichingo
muudza nyaya ndinonakidza. Joel akazouya zuva ravira achiti.

Joel.... Ndawana mushonga uyu unoita kuti zvikasike. So ndakumubaya.

Me ..... Thank you for caring.

Akabaiwa ndichibva ndaenda kumarondera. Ndakaita mazuva matatu ndichingo norara


kumarondera, ndamboswera naAngel.

Rimwe zuva ndakatogara masikati ndakangonzwa door ravhurwa zvehasha. Akapinda Yolanda aina
Natasha.

Yolanda.... Ndokwauri kumo nhai usingauye kumba.


Me.... Let's go out.

Yolanda..... Ndoda kutaurira muno azvimwe kuti wakaroora munhu rudzii asinga gone kusiyana
nevarume vevanhu.

Me..... Kana wauya uchida kutaura neni let's go out

Akabva afamba achibuda panze ndakakisa Angel paforehead ndichibva ndateerao. Ndakashamisika
kuwana paina bamukuru natete

Tete.... Unombokadii kahure ikaka kangwa nekurarwa.

Me.... Ndizvo zvamavinga here.


Bamukuru.... Tauya kuzokutora kuti tiende kumba.

Me.... Endai ndichauya.

Bamukuru..... Hatisi kukukumbira. Izvezvi pinda mumota tiende.

Me... Regai nditore foni.

Zvenharo ndaisada nemastress andaive nawo ndaisatombod kunetswa. Ndaisave nemota.


Ndaifamba nekombi mazuva acho. Saka ndakangonotora foni ndichibva ndaenda koffice kwa Joel.

Me..... Joel do me a favour.

Joel.... Anything.
Me..... Take her to your house.

Joel.... Ko akafa.

Me..... What??

Joel.... No no no am not saying she will but anything can happen.

Me.... Unouya naye pano totangira ipapo.

Joel.... Why are you doing this.


Me.... Protection

Joel...... Chii chikumboitika mulife yako.

Me.... Deal or

NO deal

Joel.... Deal.

Me.... Now, shandisa yako ndichakuisira ndave pari bhoo. But do it now. Ndichisvika kwandiri
kuenda anofana kunge asisiri pano.

Joel.... Deal.

Ndaingove nekafeeling kekuti anogona kungouraiwa thus why ndakamubvisisa.


Ndakabuda ndikanopinda mumota munzira hapana aitaura neumwe. Ndakasvika kwakugara zvangu.
Bamukuru vakabva vauya.

Me.... Mandisheedzerei kuno.

Bamukuru.... Kumukadzi wako.

Ndakaramba ndakanyarara. Ndi chibva ndasimuka kwakuenda kuroom kwangu ndakangosvika


kwakurara. Akapinda Yolanda achibva arara padivi pangu ndakaramba ndichiita zvandaiita kusvika
ave kundibata bata. Ndakamusundira kure ndichibva ndati.....

Me.... Handisati ndakamborova mukadzi asi ukanditsvaga ndokumhara.

Yolanda..... Uchandida hako.


Akabva atoraririra padivi neni. Kunze kwakavira ndichibva ndatora jira kwakurara pasofa. Yolanda
akauya asina kupfeka achimira Mira pamberi pangu dai aiziva zvandaiona paari aidei achichema.

..1week later..

Ndaingoswera pamba zvangu. Yolanda aiwedzera kutsamwa zuva rega rega. Ndaisamubata kana
kutaura naye ndaive ndatowedzera kunyarara kuita sendisipo zvangu

Pamba paive nambuya, Natasha naYolanda. Vaigara vachingo ndipopotera. Pamba ndaisabva asi
ndaisataura nemunhu food yangu ndaigadzira ndega.

Aunty vaishanda pamba ndaive ndavamaka. Zvekuti dai pari pangu ndaivadzinga musi uwoyo.

Mom vaisabuda panze vaigara vakazvivharira kana kubasa vaisatoenda. Rimwe zuva Ari masikati
mudhara vasipo ndakazvishingisa kwakunoka mavairara. Havana kudaira ndakango vhura. Ndichibva
ndavaona vakapfugama vakabata bible misodzi ichiyerera. Ndakavanzwira tsitsi Mai vangu.
Ndakamira pamukova kusvika vacheuka. Ndichibva ndafamba zvishoma nezvishoma ndichienda
pavaive ndakakweva stool kwakubva ndagara.

Me.... Mama

Mom.... Why Daniel. Handina kukurerai zvakanaka here vanangu.

I signed kwakuti

Me..... mom can we please talk about something else. We will talk about that later.

Mom.... Okay. How is she.

Me.... Recovering very well


Mom.... Where is she.

Me... My friend's place.

Mom..... Nice. I want to see her.

Me.... You can bath and change

Mom..... Am fine let's go.

Ndakasimuka ndichibva ndavabata ruoko. Kwakubva tabuda. Takabva tapinda musitting


ndakavabata.

Yolanda..... Eee wanetaka nekurara nahazvanzi wakuda kumbotesta mai.


Mom... Sharp Yo

Mbuya..... Nyarara uko hure.

Vaida kupindura Mai vangu ndikavabata muromo. Ndichibva ndavabata ruoko kwakubuda.
Takanopinda mumota. Yolanda akabva ateera akasvika achipinda.

Me.... Buda.

Yolanda..... Am your wife Daniel. Ukuendeip nehure iri.

Mom vakabva vatanga kuchema. Ndakangomutsa mota ndinyerere ndichibva ndaenda palong chein.
Ndakapinda kwakunoorder chikafu chevanhu 3. Ndichibva ndadzoka. Ndakadeedza vanhu tichibva
tapinda mukati. Takanogara pasi. Ndichibva ndatanga kutaura namom..
Me.... Mom

Vakabva vanditarisa .

Me..... I know I caused pain in your heart, kutukwa, kutsvorwa and everything zviri kuitika and am
sorry mom.

She kept quiet.

Me..... The truth is I don't know what to do to solve this issue but trust me mama. I will always
sacrifice my happiness.

Mom.... So you love her.


Me.... I have uncontrollable feeling for her.

Misodzi yavo yakabva yayerera.

Me.... Mom I will do anything for your happiness. Trust me very soon ndiri kuroora.

Mom.... Unaye wani mukadzi.

Me.... Ndoda mukadzi ano respecter Mai vangu, hazvanzi yangu, anoziva kugadzisisa zvinhu not
kuzviwedzera mom. A wife who will make things right mama

Yolanda.... Ndiri mukadzi wako unoda kuroora kangani.

Me.... Ka1. Not you iwe uri mukadzi wabamukuru nambuya. Ndicharoora wangu.
Yolanda.... Dakuzviona.

Me.... Mom eat please

Foni yangu yakabva yarira it was Joel. Ndakadaira ndakapora pora. Asi zvaakataura zvaka rovesa
Hana yangu. Ndakabva ndatosimuka kwakuti.....

Me.... What Angel adii.....

Mom vakabva vakanda chikafu pasi kwakunditarisa.

End of chapter
Yeukai Mutingwende

� Love you all�

26

Joel..... Am telling the truth Daniel. Amuka uyu. But haasi kutaura.

Me.... Ok I will be there soon.

Hana yangu yakaramba ichirova. Ndakabva ndatotanga kutaura namom ...

Me..... Mom let's go.


Mom.... How is my daughter.

Me..... Let's go mom.

Vakabva vasimuka I drove ndikanomira pajoina munhu wandandati aende navo kumba
ndakanomuona pajoina ndichibva ndamupa makeys. Zvainonetsana ikoko ini ndaenda. Ndaisada kuti
Yolanda aende kuna Angel.

Ndakasvika ndikapinda muroom maaive. Akabva anditarisa kwakunyemwerera. Foni yangu yakabva
yatanga kurira. It was mom.

Me.... Mom

Mom.... Wanditiza

Me.... No mom ndatiza Yolanda you can come rimwe zuva mega mutown then I will take you to her
Mom.... Okay how is she.

Me.... Perfect mom. Ndichamboita madays ndisingauye kumba.

Mom..... Don't sleep with her Daniel huya timbofamba mwanangu.

Me..... I won't.

Ndakabva ndakata. Ndakatoshamisika kuti ndimai vangu here Ava vaive vachinja kudero. Mai vangu
vaisada zvemaporofita zvamuchose. Asi apa ndivo vaive vazvitaura.

Angel.... Who was that.


Me.... Aaaaa ko Joel ati hausi kutaura wani.

Angie.... Ndoregerei kutaura nhai kungoti ndandichida kutaura newe chete. Tell me what was
happening to me.

Me.... Chakuudza wasimba.

Angie..... Saka Buda muno handichataure newe futi.

Joel.... Tell her, she is fine now sare kuti operation ipore zvimwe zvese zvave normal. ( Akataura
achipinda Joel)

Me.... Okay well Angie. Wakaita kidney problem.


Angie.... Operation.

Akabva azvitarisa achibata paaive achekwa.

Angie.... Who donated.

Me.... Cynthia

Angie.... Ooh my God, Cee where is she. I love her, Cynthia.....

Me.... Akaenda kumba kwavo.

Angie.... But why.


Me..... Akanzi auye na mom vake.

Angie..... Nice mufonere damutaura naye.

Ndakafona achibva ataura naye. Ndidzo nguva dzandakabuda ndichinoona Joel. Ndakasvika
ndikamubhundikira.

Me..... Thank you shaa

Joel.... What are friends for nhy. Tell me what is going on kumba kwenyu.

I signed ndikati
Me..... Shaa it's a long story but I will tell you 1 day. Anobuda riini.

Joel.... I will monitor her today mangwana wouya uchimutora.

Me.... Okay thank you

Ndakabuda ndikawana Angie achipedzisa kutaura naCee. Akakata achibva anditarisa.

Me..... How is She.

Angie.... Fine she is coming tomorrow.


Me.... Good so waakunzwa sei.

Angie..... With you here am fine.

Takagara tichiita nyaya kusvika Kuma nheru mom vakabva vafona.

Me.... Hello mom how are you.

Mom.... Am fine how is she.

Me.... Fine mom anobuda mangwana .

Mom.... Chiuya kumba.


Ndakatanga ndaseka ndichibva ndazoti okay mom. Ndakakata foni ndichibva ndasimuka.

Angie..... Where to.

Me..... Kumba dear.

Angie.... Why I thought ukurara kuno.

Me.... Mom vati ndiuye she is scared kuti some thing can happen. So bye

She nodded but mufaro aive asisina. I kissed her forehead ndichibva ndabuda. Kwakunoona Joel.
Joel..... Ndichaenda naye kusurgery mangwana kuseni seni. Saka unozouya ikoko, I will call you.

Me.... Fine.

Ndakabuda tave kuita dzimwe nyaya. Ndichibva ndanopinda mumota tikaparadzana. Pasina nguva
ndakasvika kumba ndakawana Mai vangu vari kugate chaiko vakandimirira. Ndakamisa mota
ndichibva ndaburuka she smiled vachindiona.

Mom.... Thank you for coming.

Me.... Okay I brought this for you.

She smiled again mbuya vakabva vabudikira.

Mbuya..... Hoo saka wakatovatendera kuhura.


Hapana akadaira tise takaramba takamira.

Me.... Mom you can go and rest hanty.

Vakabva vafamba vachipinda mumba then mbuya vakabva vabvuta paperbag mom vakava tarisa

Me..... Mom you can go regai ndokutengerai zvimwe.

Mom vakafuratira vachibva vapinda mumba. Ndakapinda mumota kwakudzokera kutown.


Ndakanotenga zvinhu zvakawanda Wanda ndichibva ndatozadza mapaperbag 2. Ndakabva
ndadzokera kumba. Ndakasvika ndakaburuka. Yolanda akabva abuda mumba. Kwakuuya kwandaive.
Ndakasangana naye achibva abata paperbag.

Me.... Siya ndezva mama.

Yolanda..... Ini mukadzi wako hauna kumbondi tengera busy kutengera mai izve ndezvangu izve.
Me..... Yolanda siya zvinhu zvangu ndokurova.

Natasha..... Murove tone. Unoda kurara namai. Heya ndizvo zvawaiita kuti uzodiwa naAngel.

Yolanda.... Vese mai nemwana mahure.

Ndakaregedza bepa randaive ndakabata ndichibva ndamubata pahuro ndichibva ndamusimudza


kwakumukandira kumaruva.

Ndaive ndatsamwa iye akascreamer vese naNatasha vakabva vatosuduruka. Ndakapinda mumba
ndikanopa mama zvinhu zvavo kwakupinda mumba. Ndichibva ndarara. Pasina nguva vakapinda
mbuya vangu vachibva vatanga kutaura

Mbuya.... Ko akakuudza kuti mukadzi anorohwa ndiani.


Ndakaramba ndakanyarara. Akapinda Natasha aina Yolanda. Foni yangu Yakabva yatanga kurira aive
Angel.

Me .... Hello, ndokufonera Angie pane zvirikuitika ndofona soon.

Ndakabva ndakata.

Mbuya..... As long as ndiri mupenyu hamufe makagara mese.

Vakabva vabuda. Ndakasara ndakatarisana nevasikana. Angel akabva afona zvekare.

Me.... Angel

Angel..... What's going on


Me..... I will tell you tomorrow.. Pakaipa dear. How are you feeling

Yolanda..... Daniel is married to me officially. Siyana nemurume wangu.

Akataura achiita kudanidzira ndakangosimuka ndichibva ndamupa mbama. Yakarira imba yese apa
foni yaive yakatwa naAngel.

Me..... Watumwa Nani kutaura pafoni yangu hure.

Akabva atanga kuchema achibuda. Mbuya vakauya nguva yandaive ndave kufonera Angel. Vakasvika
vakabata mugoti vachibva vandirova nawo pabendekete. Ndakaita kuvasimudza ndichibva
ndavakandira pamubhedha.

Me..... Zvamakaita zvakakwana manzwa ka. Zvakakwana.


She started crying vachiti wandikuvadza musana wangu. Ndakangotora makeys angu ndichibva
ndabuda. Ndakanopinda mumota kwakugaramo ndikatarisa foni kwakuona ichirecoder. Ndakabva
ndatoisa pa nzeve kwakunzwa Angel achichema

Me..... Am coming Angel.

Ndakabva ndakata handina kumirira zvaaida kuzotaura. Ndakafambisa mota munguva diki ndaive
ndamhara pamba paJoel. Ndakapinda ndikanzwa munhu aichema. Ndakaenda kuroom kwaaive
ndichibva ndapinda ndikawana Joel achitaura naye.

Joel...... Manje ukasataura chiri kunetsa ndoziva sei nhai hazvanzi.

Me..... Can you please excuse us.

Joel.... If she stress, operation yacho inonetsa kupora.

I nodded achibva abuda. Ndakamuteera ndichibva ndalocker door. Ndikaenda paaive.


Angie.... Buda muno.

Me.... They married her for me but I don't love her.

Angie.... Buda muno handitaure nevarume vevanhu.

Me.... Angie listen, I don't love him. Vana bamukuru vaishungurudza mom so I have no idea than
kuvati vaende. Yes vakaenda Vega vakaroora nemari yadaddy.

Angie..... okay

Me..... I love you

Angie.... Promise me that you will never love her.


Me.... Never. I love you

Akabva anyarara ndakabva ndamukisa kwagara tave kuita dzimwe nyaya.

The following day ndakamukira kunotora mom tichibva tazoenda kuchipatara. Takanotora Angel.
Havana zvizhinji zvavakataura naye. Vakango mubvunza zveutano nekumumhoresa. Vakabva
vandipa madirections ekuenda kwamadzibaba.

Takasvika pane vangu vashoma shoma tichibva tagara pasina nguva takabva tasimunzwa tese...

Madzibaba.... Ndaona Zita rakanzi Sekai Zihwora muno muzivao.

Mama..... Hongu ndivamwene vangu.


Madzibaba....

Zvavakazotaura zvakandirovesa nehana. Ndichibva ndatanga kutya.....

End of chapter

27

..Angel..

Kana zviri izvo zvinoita rudo rwachoka hameno kuti vakadzi vanoitirwa chifambi nevarume
vanorarama sei. Kurohwa kwandaiitwa nabamukuru kwakaita kuti ndinyanye kuda Daniel, zvekuti
pazvakanzi kumasowe ndakanzwa kurwadziwa. Ndaisada kuparadzaniswa naDaniel ndaimuda
nemoyo wangu wese.
Patakasvika kumasowe kwaingove nevanhu vashoma shoma. Zvekuti takabatsirwa. Pakataurwa Zita
rambuya ndakanzwa kurwadziwa zvechokwadi kana paine zvavaiziva handaizombovada muupenyu
hwangu.

Madzibaba..... Ndaona sekai akamira pamberi pangu. Kumashure kwake kwanga kune zvinhu
zvandanga ndichida kuverenga asi ndaona avhura mucheka mutema achibva avhara mberi kwangu
kuti ndisaona chinhu. Saka hapana chandinogona kukubatsirai. Chandinongoda kukuudza ndechekuti
namatai nguva dzese.

Daniel..... But muri madzibaba

Madzibaba.... Yes asi hapana chandaona. Simukai muende henyu.

Daniel akaita kufuta achibva afambisa achinopinda mumota. Mbuya vangu ndakanzwa kuvavenga
kusvika pekupedzesera. Takanopinda mumota.

Daniel.... I want to kill that woman.


Mom..... No my son handei titsvage vamwe madzibaba.

Takamutsa mota kwakunanga kubudiriro. Kwainzi kune vamwe madzibaba vane mbiri. Takasvika
pakaita kuzara vanhu. Takagara kumashure. Madzibaba vakabva vamira kutaura kwakutitarisa.

Madzibaba..... Vasvika izvezvi avo simukai.

Takatarisana tichibva tasimuka.

Madzibaba..... Mhai namatai zvakakura. Zvamakatarisana nazvo zvikuru. Handina kuona kuti zvii
nekuti ndaona muchema mutema wanga wakavhara mberi kwangu. Ndanzwisisa chose kuti zvikuru,
saka namatai zvakasimba. Mungachienda henyu.

Daniel..... Again.
Cee...calm down Daniel ngatitsvage kumwe.

Daniel.... Tiite basa rekungoteera maporofita here. Handei kumba ndida kunopedzerana naye
mukadzi iyeye.

Madzibaba..... Ukaita zvehasha hapana chinobuda zvakanaka. Go and pray uchifunga zviri calm
chiendai henyu.

Moziva ndakapererwa. Takafamba tikanopinda mumota. Takavhara madoor tichibva tagara hapana
akataura neumwe. Mota yakazomutswa papers chinguva takabva tananga kuchitungwiza nekuti
pane umwezve madzibaba aive atsvagwa namama ikoko. Pasina nguva taive tasvika. Takasvika
vanhu vakazara tave kuda kugara pasi madzibaba vaya vakatimisa.

Madzibaba..... Ndaona pano pave pechitatu muchifamba.

Takabvumirana naye achibva aenderera mberi.


Madzibaba..... Ndiri kuoneswa mucheka muchema. Vana madzimai namadzibaba endai kumba
munonamata. Mungatopedza fuel yenyu. Asi chikuru chazvo zvese endai munonamata.

Daniel akangotendeuka ndekutoenda. Tese takabva tateera misodzi yangu yaive yave kubuda.
Takapinda mumota kwakurova pasi takanyarara. Mota yaifamba zvekurevesa. Takasvika pama shops
ekumba mom vachibva vati" chimbomira mota Daniel"

Akamira padivi nenzira tese tichibva tatarisa mom.

Mom.... Daniel usasvike uchipopota act normal zvinhu zvofamba mushe. Unovaziva vanhu vekumba
kwenyu. Handisi hangu kudzingwa were will I go nhai hatina imba kana chii. Please my children
behave yourselves handi.

We nodded.

Mom.... One more thing Dzikamai vanangu. Imhepo it inopfuura. Musatendera kuva penyu mega
muri vaviri. Cee my daughter ndave kukupa basa handi don't allow them to do anything iva na Angel
always and I promise you vanangu very soon everything will be fine handiti.
We nodded then tichibva tatosimuka kuenda kumba Daniel akanomisa mota panze.

Mom.... Pindaka.

Daniel..... Ndikuda kutora imwe foni yangu. Ndodzoka soon ndoda kubuda chadzoka time time.

Takapinda mugate netsoka. Takabva taona mota yaBamukuru ndakanzwa kudhinhiwa. Takabva
tanzwa munhu akascreamer vaive daddy. Mom vakada kumhanya vakabatiwa na Daniel.

Daniel..... Wait tinzwe zviri kuitika first.

Mom.... Vanourawa.

Daniel.... No let's go.


Takananaira tichipinda mukati takabva tamira padoor rekupinda musitting tikanzwa daddy
vachichema.

Bamukuru..... You have to decide am counting kusvika 5. If you do not Decide I will do zvandinoda.
5......4......3....2...

Daddy..... No I proo..mi..see I will do anything you want from now.

Bamukuru..... That means you are ready to receive roora yaAngel mangwana manheru. Paanomuka
obva atochata.

Daddy..... Y..e..s..

Mbuya..... Good. Chienda kwawanga uri.


Daniel akabva ada kufamba achipinda mukati achibva abatwa namom. Vakatipa sign yekuto
tidzokere kumashure.

Mom..... Do not show them kuti wavanzwa vachitaura Daniel. Munondiurayisa bamukuru is
dangerous.

We nodded tichibva taparadzana naDaniel akunopinda nedoor rekukitchen takabva tafamba


tichienda Mumba.

Bamukuru..... Mauya nguva yakanaka garai apa tone.

Takagara paya vachibva vatanga kutaura.

Bamukuru..... Angel uri kuzokumbirwa mangwana. So gadzirirai.


Me..... Handina mukomana wandakataura naye kuti ndoda kuroorwa in.

Bamukuru.... Thus my choice uchamuona mangwana murume wacho.

Mama..... Bamukuru how could you hee, Daniel wamakatsvagira ngazvipere zvakadero.

Vakasimuka bamukuru vachibva vaenda kwaive ne table vachibva vadeedza mama vakabva vatanga
kuvaratidza zvaive palaptop. Ndkangoona mama vachibata muromo wavo.

Bamukuru..... If you don't allow your daughter to marry him today this vedio will be everywhere am
sure baba Daniel will see it to.

Mom..... No this video is not true I..... I ...... I

Bamukuru.... Am sending 5......4.....3.....2


Mom...... She will marry him.

Me..... Mama.

Vakabva vabuda vachimhanya vachichema.

Daniel..... Can I see the video.

Bamukuru..... Haisi yevana. Angel prepare you are getting married.

Daniel..... What's all this hee.


Bamukuru.... Shut up.

Ndakasimuka ndichimhanya ndikanopinda muroom mangu Cee akabva ateera. Akandiwana


ndichichema.

Cee.... Nyarara Angel. I have a plan.

Ndakapukuta misodzi ndichibva ndamutarisa.

Cee.... Yes ngatitize manheru.

Me..... Ko tikabatwa.

Cee.... Hapana anombotibata shaa just take zvinhu zvakakosha chete zvimwe zvese wosiya tiri
kubuda nesatchel chete.
Me.... Toendepi.

Cee..... Unombono gara kumusha kwedu.

Ndakachi zonyatso pukuta misodzi ndichibva ndatotanga kurongedza. Ndakapedza nguva dzichiripo
ndichibva ndambogara. Zuva rakavira tikadaniwa tikanodya. Mom Havana kuuya vese nadaddy.
Daniel aive asipo.

Tapedza kudya takanorara tikazomuka kuma12 tave kubuda. Takadunga midzana tave kuenda
takasvika padoor kwakukiyinura. Pandakabata door kuti ndibude ndakabva ndanzwa.

Bamukuru..... Ko mafungepi.
Mbuya..... Hakuna zvekuti apindai mumba iwe chisinaka topedzerana mangwana ndiwe
urikukonzeresa zvese izvi.

Takangotarisana naCee moziva takaita kupererwa takavatarisa.

Bamukuru.... Fambai tone kabag ako ndipe.

Me.... Bamukuru siyanai neupenyu hwangu.

Bamukuru..... Unondiudzeiko mwana wazuro pano. Iwe Natasha bhande randati uuye naro riripi
handidi zvekuswero ita nharo nevanana Ini.

Pandakanzwa zvebhande ndakabva ndatomhanya kuenda mumba. Ndakangopinda mumba


matairara nekutotanga kuchema. Upenyu hwangu hwaizodii nhaimi.
Cee.... Usacheme dear totaura naye mukomana wacho kuti anzwisise kuti haumudi.

Me.... Ndokunze akabvuma.

Cee... Am here for you dear let's sleep.

The following day takamutswa nenoise yaBamukuru.

Bamukuru..... Cynthia muka ubve pano nhasi and never come back.

Vaitaura vatove pa door vapinda. Ndakaramba ndakavatarisa sure vangadzinge munhu


akandiraramisa.
Me..... Zvimwe zvese mungaite uyu haasi kuzobva pano I have her kidney she is my everything.

Bamukuru vakaridza tsamwa vachibva vabudisa "pfuti" moziva ndakavhunduka.

Bamukuru..... Sarudza zvauri kudà ndokuendesa uri mucoffin kana kubuda wega.

Ndaiita kuhuta vakatinongedzara pfuti. Cee akabva ati.......

End of chapter

28
Cee akabva ati.

Cee.... Regai ndiende hangu.

Ndikarwadziwa, ndakabva ndanzwa kuvavenga apa Daniel aive abuda chekuita ndipo paive pasina.

Akasimuka kwakupinda bath munguva diki aive atopedza kugeza. Akaperekedzwa naivo bamukuru
ndakasara ndichichema. Ndakaswera zuva rese ndakarara kana kumbomuka kuma4 akauya Natasha.

Natasha..... Muka ugeze vakwasha vave kusvika

Me.... Handisi kuroorwa ini.

Akafamba mwana wevanhu achibva asvika achindipa mbama yakaomarara ndakanzwa dzungu. Iye
akabva ataura achitobuda.

Natasha..... As long am alive uchakaura.


Ndakaramba ndakanyarara. Manheru ndakanzwa kuti pamba pasvika vanhu. Ndikanzwa mama
vachidanidzira.

Mom..... No mwana wangu haaroorwe nemunhu akadai.

Ndakabva ndabuda ndichida kunomuona munhu wacho.

Bamukuru... Pfuma tatotambira next week muchato anoenda nemuchato. Next week Saturday.

Ndakasvika ndikamira ndakatarisa vanhu ndichida kuona ainzi murume wangu wacho.

Natasha..... Avo vake suit ye black ndivo bamunini. Bamunini uyo mukadzi wenyu.
Ini ndakabva ndatanga kuseka. Kwete kusenga kwekufarira asi kwekusa believer zvandaiona. Aive
munhu mupfupi. Ane tumaoko tudiki diki netumakumbo tudiki diki. Apa muviri wakakura.
Zvaitoonekwa kuti iZimcare chairo. Apa aiita kusiririka masiriri. Aive akatogara pawheel chair
zvairatidza kuti aisatofamba apa aingosekenyeka. Kaface nekamusoro zviri zvidiki diki. Ndakabva
ndatanga kuchema.

Me..... Handifi ndakagara nemunhu akadai.

Bamukuru..... Ndiye wako iyeye. Kana usingaone vakomana vakanaka tave kukutsvagira.

Ndakangotendeuka neshungu ndikanopinda mumba. Ndakasvika nekuzvivharira. Daniel aive


andiudza kuti aienda kubasa aizodzoka China, apa Ini ndaive ndisina wekuchemera. Kwakasvika
pakuedza ndichingo chema.

..4 days later..


Zuva nezuva ndaigara ndichichema. Mukana wekutiza ndaive ndisina madoor ose aigara akakiyiwa.
Natasha naYolanda vaive vatove mabest friend. Mom vaigara vakazvivharira. Daddy vaive vakatora
mwedzi wese vakazorora kubasa vaizotanga Monday after muchato.

Yes muchato waitorongwa. Zvinhu zvizhinji zvaive zvabhadharwa. Ndaigara ndiine stress nguva zhinji
apa ndisingadye. Ndaive ndaonda zvinosiririsa.

Musi we China ndakamutswa nefoni. Ndakatarisa ndikaona Ari Cee ndaive ndave nemazuva
ndisingataure naye.

Me..... Cee

Cee.... Hello dear how are you doing

Me..... Zvakaoma shaa ndakatombodzwa.


Cee..... Kuroodzwa.

Me.... Yes Cee ndiri panguva yakaoma shaa.

Cee..... Ma1 shaa inio ndaive busy mukoma Chris vakauya chipiri. Mom vairwaraka vachiramba
kuenda kuchipatara. Saka takazo vamanikidza takadzoka zuro manheru but zvakaitika zvakaoma
shaa.

Me..... Chii futi.

Cee ....... ndichanyatso kurondedzera Angie it's a long story but I can tell you kuti baba vedu
takazovawana.
Me..... Hee makavawana chii chakaitika inga makorokoto.

Cee.... Mom vaiziva zvavo kwavari but vaive vasingade kutiudza. Mudhara wangu imhondi hanzi
vanoita zve politics. Apa takasangana ne hazvanzi yamom. Kungoti hedu hapana chatakanzwa nekuti
mom vakatidzinga pavaive vave kutaura nyaya dzavo.

Me.... Inga pakaipa, so zva mudhara zvavaida kukuudzai hanzii.

Cee.... Hameno nyaya yavakakonana here aaaa zvinhu zvacho hameno. Sekuru ndovakangoti
ndokugadzirisira zvinhu don't worry so tangomirira sekuru.

Me..... Zvoita worry not my love.

Cee.... Iribhoo. Ukunamata here Iwe.


Me.... Ndonamatirei mwari wacho asiri kundinzwa.

Cee.... Watodya.

Me.... No ndave kudà kutomuka kuti ndinodya.

Cee..... Am sorry to say this but let's fast.

Me..... Hazvishande shaa.

Me.... I know but for today only. Ndoda kuti kukiye door rako koisa nziro dzekuchechi. First prayer
toita tese over the foni from the ndichakupa verse rekuverenga. Woswera kuchiverenga Bible
nekunamata. Mwari anokuitira zvakanaka.
Me.... Okay dear.

Cee..... Ndokufonera after 20 mins for prayer ndoda kubva pamba ndiende kusowe

Me.... Iribhoo bye.

Ndakakata foni ndichibva ndakiya door rangu kwakutanga kuimba ndaiimbira pasi but ndaiimba.
Pasina nguva ndakanzwa mbuya for the first time vachiuya padoor pangu.

Mbuya..... Angel huya kuno siya zvose zvauri kuita mhanya.

Nguva idzodzo foni Yakabva yarira.

Me.... Hello Cee ndadanwa nambuya ndokufonera soon.


Cee..... Siyana nevanhu vanoda kukukanganisa kunamata. Izvezvi pfugama.

Me..... Varipa door.

Cee..... Ndati pfugama.

Akaita zvine ukasha. Ndakabva ndapfugama achibva atanga kunamata. Pekutanga ndaive ndisinga
tereeri nenoise yaiitwa nambuya. Ndakapedzisira ndasiyana navo kwakupinda muprayer.
Ndakanamata zvandaive ndisina kumboita muupenyu hwangu. Ndaive ndava kutonzwa kuti ndave
musimba ramwari. Tapedza kunamata Cee akabva ati.

Cee.... Don't open the door for anyone. Imba nekunamata chete. Foni idzime. After every 2 hours
woiita on tonamata. Ndapiwa bonus so ngasi izuva redu.

Akakata foni. Ndichibva ndatanga kunamata. Ndaive ndichingo Imba nekunamata. Ndakanyatso
nzwa kuti ndaswedera pedo namwari
Zuva rakasvika pakunyura ndichingonamata. Manheru ndipo pandakachizobuda ndapedza.

Daniel..... Ndisiye mbani.

Yolanda..... are my husband you have to sleep with me.

Ndakanzwa vachitaura muroom mavo. Moziva ndakaita mazihasha ndikamhanya kuroom kwangu
kunotora spare key. Ndakabva ndatosvika nekuvhura door. Ndakawana Yolanda asina hembe
achikurura Daniel ndakanzwa hasha zvekuti ndakangokwanisa kuti..

Me.... Daniel

Ndakabva ndatomhanya ndichitiza. Ndikanopinda muroom mangu ndikatanga kuchema. Akabva


auya padoor.
Daniel.... Angel

Ndakaramba ndicuingochema. Sure munhu angaite izvozvo here. Ndakabva ndanzwa achibva
padoor. Pfungwa yekuti iye arikuitao yakandibata. Ndakabva ndafonera Artwell mukomana
wandaimbodanana naye. Ndakazviita ndichitobuda mubedroom mangu. Ndakasiya ndakiya door.
Ndakabva ndabuda nedoor rekuseri. Kwakufamba ndichinyahwaira. Ndakabva ndafonera Artwell.

Artwell..... Hello ndiani.

Me.... Ndi Angel uripi

Artwell.... Ukudei ndiri paden.

Me.... Ndikuda iwewe ndikuuya am ready to give you umhandara hwangu.


Art.... Are sure serious.

Me.... Yes I love you.

Art.... Come on babe ukunonoka.

Ndakabva ndatotanga kumhanya ndichienda ikoko. Munhu wepi asingagone kuzvibata inini ndaive
ndazama wani nepandaigona Napo kuzvichengeta iye chaimukonesa kuzvibata chii. Ndaive
ndatsamwa. Ndaive ndatifunga kurara naArtwelll. Ndainyatsoonzwa kuti ndikarara naye ndinenge
ndakaurisa Daniel

Ndakabva ndadzima foni yangu ndichibva ndatanga kufamba ndichienda Kumba kwavo ndakasvika
pagate ndikaona Mai vake ndakasvotwa sei. Ndakavamhoresa vachibva vati aiuya Art. Pasina nguva
akabva abuda achibva atopinda mumota. Akandicheedza ndikanopindao mumota. Akabva aimutsa
tave kuenda.

Art.... Thank you babe


I nodded.

Art..... Kurisei kuchikoro

Me.... Kuribhoo.

Takabva tanyarara Ini ndaitonzwa kuti Ari kunonoka. Akafambisa mota akanomira pane imwe lodge
takaburuka achibva apinda mukati. Pasina nguva akabva anditi handei. Ndakabva ndapinda naye
paya.

Taakapinda mune imwe room yaive yakanaka achibva andikakata. Achibva atanga kuda kundikisa. .

Me..... Handidi zvemakiss Ini.


Akabva atondisiya kwakutanga kundibvisa hembe.

Munguva diki tese taive tatoshama. Akabva andiisa pabed. Achibva atanga kubata Muviri kwangu.
Ndakatanga kuona Daniel mumaziso angu. Achindibata nekundikisa nekundiita zvinonakidza.
Ndakabva ndanzwa kakurwadziwa kuzasi kwangu ndakabva ndavhunduka. Achibva ati....

Art....sorry , don't worry handikurwadzise.

Ndakaramba ndakanyarara. Akabva aenderera mberi nekundibata. Ndakazongonzwa ave kuti.

Artwell.... Babe are you ready.

I nodded achibva a.........

End of chapter
29

Art ..... Babe are you ready.

I nodded asekerera. Pakarepo door rakabva ravhurwa zvehasha achibva apinda Daniel. Akasvika
nekubata Artwell pahuro. Ndakaita kuhuta ndichimuona akatsvukisa maziso. Akasimudza Artwell
neruoko 1 achinomutsveta kumadziro.

Artwell.... Chiiko iwe

Haana kupindurwa nemuromo akabva arohwa nechibhakera ropa richibva ratotanga kubuda.
Ndichiona izvozvo ndakaita kuhuta , ndakabva ndatotanga kupfeka hembe munguva diki ndaive
ndapedza nekuti raingove dress. Pant ndakaisa muhomwe yejacket. Ndakabva ndatanga kufamba
ndichienda kudoor kwaive patove nevanhu veipapo vaive vakamira. Ndakati ndichingo Bata door
ndakabva ndabatwa naDaniel
Me..... Ndisiye mhani.

Haana kupindura akabva anditendeutsa. Ndichinomutarisa kudai ndakaona achiita kuhuta nehasha.
Ndakabva ndapiwa mbama yekuti ndakaona rima. Akabva andibata akatanga kundikweva.
Aindikakata Ini ndichichema. Takasvika pamota yake achibva aita zvekundikanda mumota. Akapinda
door radriver achibva arova mota. Mota yaimhanya zvekuti ndaiita kubatirira apa misodzi ichiyerera.
Akanopinda pagate repamba achibva anomisa mota zve noise. Vanhu vakabva vabuda panze. Kunze
kwaive kuchangotanga kusviba asi nemalights waiona zvese. Akabva aburuka achibva aita
zvekundikakata kuti ndibude mumota. Ndakabva batirira pamota akatendeuka akandipa imwe
mbama yakavhundutsa vanhu vese. Akabva aita zvekundisunda ndichinowira padoor. Ndakabva
ndabatirira padoor paya akasvika achibva asimudza ruoko achida kundirova futi. Mom ndivo vakaita
mwari wangu vakabva vamubata ruoko.

Mom ..... No my son tauriranai. Remember akaitwa Operation.

Daniel akaita kuridza tsamwa achibva andibata rumwe ruoko akandikakata. Ndakabva ndabatirira
padoor ndichichema.

Daniel..... Wakundituma kukurova ende ini ndokukuvadza.


Ndakabva ndaregedza door Riya achibva andi simudza sekapepa kwakunanga neni kuroom kwake.
Akasvika achindikanda pamubhedha. Bamukuru vakabva vapinda. Akabva avabata collar
achivasundidzira panze.

Bamukuru..... Ko zvadii zve.

Daniel..... Imbwa yemunhu.

Akabva aita vekusimudza nebhande achibva anosiya panze. Ndakamhanya kudoor. Asi ndakanonoka
kusvika. Ndakasvika atokiya door akabva aisa makey pandisingasvikire. Ini ndaingochima ndakagara
pasi. Apa door richiita kuhwa rohwa akavhara curtain achibva atora chigero. Akabva atanga kufamba
achiuya kwandaive. Ndakabva ndaridza mhere chaiyo. Akangosvika nekubata dress rangu achibva
ageza padiki zvehasha zviya.

Akabva aribata side neside achibva adambura ka1. Ndakasara ndisisina kana chinhu.

Me ..... Daniel please.


Akabva andipa mbama. Achibva andisimudza achibva andiisa pabed. Akateera pamusoro achibva
atanga kabvisa trouse teerere short pedzisire pant ndakabva ndavhara kumeso kwangu.

Ndakabva ndamunzwa achinyatsouya pamusoro pangu. Hana yangu yakabva yatanga kuwedzera
kurova zvekuti ndaisa fema zvakanaka

Akabva afambisa maoko ake mumuviri mangu pedzisire ave pakati pemakumbo ndipo
pandakavhunduka ndichibva ndatanga kukikiritsana naye.

Murume murume ndakapiniwa ndikasara ndisingakwanise kana kupfakanyika. Akabva atanga


kudzika achiuya pandaive. Ndakabva ndavhura maziso. Ndikaona akuto.... Ndakabva ndamutarisa
mumaziso, iyeo akanditarisa.

Me.... You are my brother Daniel.


Akafemera pamusoro kaviri achibva asumuka kwakunomira kumadziro. Akabva atanga kurova
madziro aye zvehasha. Ndakangosimuka kwakutora bottom rake raive muwardrop ndichibva
ndapfeka but raive hombesa.

Akabva andikakata kwakutanga kundikisa. We kissed for a long time achibva azonditarisa mumaziso

Daniel..... Why Angel

Me.... Am sorry. But wauchida kurara naye.

Daniel.... handiite izvozvo babe. Ndiani wawanga unaye.

Me..... Am sorry.
Daniel.... Heyi ndati ndiyani.

Me..... Artwell

Daniel..... And?

Me..... My ex

Daniel..... Then ?

Me...... I called him.


Daniel..... Do you Know kuti chihure ichocho.

Me.... Ko ichi.

Akabva aseka akandikisa paforehead

Daniel..... Uncontrollable feeling

Ndakabva ndatarisa pasi.

Daniel..... Handidi munhu anopererwa wanzwa


Me..... Handidi kuroorwa nemurume uyo ini.

Daniel.... Vasiye am here for you haambogari newe. After the wedding Tiri kuenda kuDRC.

Me.... Chero tikaenda ko muchato.

Daniel.... Rine basa rei bhepa babie.

Me.... But am your sister

Daniel.... I know handirari newe kana ndisati ndawana chokwadi.

Me.... Ukutsvaga here.


Daniel.... Yes. But pakaipa madhara akangwarisa Aya.

Me.... Chii.

Akabva aseka achibva andirova padama. Achibva tanga kuseka.

Daniel..... Waita mwana. Ndichakuudza wakura.

Ndakabva ndanyebera kutsamwa achibva andiruma mhino tichibva taseka.

Door rakabva ravhurwa vaive nespare key baba vangu. Vakamira vangu vese padoor. Mom
ndovakabva vauya pandaive vakandibata. Misodzi yaive yakazara mumaziso.
Daniel..... Go and sleep Angel.

Ndakabva nemdatodarika ndichienda kunorara. Ndakasvika nekutokiya door.

Ndakabva ndarara pabed ndichifunga zvese zvaive zvaitika ko ndaive ndamboshinga want nhai. Ko
ndaive ndave kukonewa ndave padhuze. Ndakabva ndaita foni yangu on Cee akabva afona.

Me.... Hello

Cee.... Ko unofungirei semwana nhaiwe.

Me..... Ndadii
Cee.... Usanyebere kudzungaira. Wauchitsvaga munhu wekurara naye wawashaiwei.

Me.... Akomana wee zvatosvika.

Cee.... Waresva Shaa akatsamisa Daniel kutsamwa chaiko

Me..... Tazotaurirana

Cee..... Ndozvauri kufunga zve. Achakatsamwa inyaya yekuti haande kuti urware chete. Otherwise
wairohwa nhasi. Waresva Shaa.

Me..... Jealous Shaa


Cee..... He loves you

Me.... Anga anaye.

Cee... Yes because he wants the truth.

Me.... Ma1. Ndikuda kuuya ikoko.

Cee...... Kupi am in Harare.

Me.... Ukuiteiko nhy we ndikuda kuuyao.


Cee..... Kutsvaga information

Me..... Why musingandiudzeo.

Cee.... Because urimwana kkkkkkkk

Me..... Usandidero shaa. Saka mawanei so far.

Cee.... Pakaipa shaa iiii I don't know kuti zvichadii. But don't worry zvoita

Me... Okay
Hope hadzina kuzombonetsa kubata munguva diki dzaive dzatobata ndakamuka mangwana acho.
Ndikawaridza bed ndichibva ndabuda. Ndakapinda mukitchen ndikawana Daniel akagara pachair
Yolanda akamubata mafudzi achimupuruzira pachest nerumwe ruoko. Ndakaita kurwadziwa. Vese
vakabva vasimudza musoro Ini ndichibva tatotanga kufamba ndichibuda.

Daniel..... Angie.

Yolanda..... Siyana nehure iro hunny

Ndakabva ndatowedzera kufambisa. Ndakasvika ndikapinda muroom mangu nekutovhara. Daniel


akabva asvikao padoor. Ini ndichibva ndatokiya door racho.

Daniel.... Angel

Silent
Daniel..... Angie please open I will explain.

Ndakamunyararira. Everytime I will explain. Ndakafamba ndichienda kudrawer kwangu ndichichema


ndakabva ndavhura ndichibva ndatora Reza yaivemo.

Foni yangu yakabva yatanga kurira aive Cee. Ndakamu ignore Ini. Ndakabva ndatogara pasi chaipo.
Ndichichema ndakatora Reza Riya ndichibva ndacheka tsinga yepanotangira chanza.

Ropa rakabva ratanga kuita kuteuka chaiko. Raiyerera non stop. Zvekeuti Simba raiita kupera
zveshoma zvishoma. App Daniel ndaive ndisisamunzwe padoor.

Ndakangozoona rima ndichibva ndadonha.......

End of chapter
30

.. Daniel..

I received a call from Cee Ari makuseni ndiri kumba kwangu kuMarondera

Me.... Cee ndeip

Cee..... Kurisei brother ndati ndikuudzei kuti ndadzingwa naBamukuru kumba. Ndatove kumbare
kuenda kumba.

Ndakaramba ndakanyarara. Ndichiti pamwe achati ndiri kutamba.


Cee..... Muchiripo here mukoma.

Me..... Are you serious ko wabvirei wadii kundifonera usati wabva.

Cee..... Vavane pfuti.

Me ...... What?? Are you serious. Okay kwura upinde mutown wondimirira paJoina ndosvikapo soon.

Ndakakata foni ndichibva ndanhonga makey ndikananga kuharare. Kutaura chokwadi


ndaisazvitarisira izvi. Mukukura kwangu ndaiziva bamukuru vari munhu anerudo, anonzwisisa. Asi
izvi zvaive zvave kuitika izvi zvakandipa fungwa dzaka Wanda Wanda.

Ndakambofunga kuti zvimwe Angel haasi hazvanzi yangu. Izvozvo moyo wangu wakakasira
kuzvitambira. Okay kana asiri then what happened coz mom vanonzi vakaroorwa varimhandara.
Ko kana paine akabata mushonga kuti tidanane. Ndidzo dzimwe fungwa dzakapinda mumusoro
mangu. Ndakanzwa kurwadziwa, ndikazvibvunza mibvunzo yakasiyana siyana. Kuti asi anenge
achizviitirei. Okay Tomboti ndewe ukama. That means kunenge kuri kudà kukaurisa vabereki vangu.
Mhosva yavanenge vakapara ndaitoishaya. Ko kana Ari mutorwa, anenge achida kutambudza vanhu
vese mumhuri kuti agowanei, iyi fungwa yekuti mutorwa ndakakasira kuibvisa mumusoro. Hapana
mutorwa anokuitira utsinye hwakadero. Vatorwa vanongogumira pakukurwarisa chete.

Ndakabva ndachizosara nerekuti munhu weukama. Ndakabva ndatanga kuti angave ani. Sure
maDNA test taive taita akabuda akanaka. Then daddy vakamboshandira kunze kubasa kwavo
kukanzi kuti muende nevana panoda maDNA test zvese zvikafamba zvakanaka. Munoziva apa paive
ponditemesa musoro. Ndaishaya kuti ndodii.

Ndakazofungazve ko chii chainzi naBaba vangu, I will do anything you want Kuna bamukuru. Zvaireva
kuti pane zvimwe zvinhu zvakavanzika kwavari. Asi Chiri chii? Mibvunzo iwoyo ndakaushaira
mhinduro.

Ko kudivi raamai vane zvavakaratidzwa vakavapa kutya. Zvinhu zvacho zvichiratidza kuti
zvakasiyana nezvadaddy. Ndakaita kupererwa nekufunga.
Moyo wangu wairwadza ndikafunga Angel ndiye aive atonyanya kuaffectwa nemafeelings acho.
Ndakarwadziwa misonzi ikayerera ndakananga paharare.

Ko chii chaiita kuti bamukuru naMbuya vade kuti tose tiite mhuri vasingadi kutsvaga parikubva
dambudziko? Ndakapererwa nemubvunzo wandaive ndazvibvunza ndakashaya mhinduro. Kuti vaida
kupedza dambudziko here kana kuti. Moziva ndakapererwa kushaya pekutangira.

Ndidzo nguva dzandakafunga Joel. I have to share my problem at least ndowana help.
Ndakayeredza misodzi ndichitsvaga number yaJoel. Haanao zvake kunonoka kudaira.

Joel.... My man.

Me.... Sorry kukunetsa Shaa. Ndokumbirao help yako

Joel..... You sound Low chii.


Me.... Ndine problem ikuitika mulife yangu uripi I want to share.

Joel.... Huya paden.

Ndakabva ndakata foni ndichiita kufemereka. Ndakafambisa mota ndakananga pa Joina ndakawana
avepo Cee akabva apinda mumota.

Me.... Ndeip.

Cee..... Murisei mukoma

Me.... Bhoo ko pfuti vaiwanepi tell me chii chaitika

Akatsanangura zvese zvaive zvaitika ndakarwadziwa chero hazvo ndaisave nechekuita pazviri.

Ndakabva ndananga kumba kwaJoel. Ndakasvika akatogara hake kuseri kweimba. Takamboresana
achibva atanga hake kuwanza.
Joel..... Isimbi yani ko iyi.

Me..... Ka sister kangu.

Joel.... Ndipooka aka iiii makafanana.

Me..... Unopenga unoziva vangu vakafanana here iwewe. Shaa ndaita nyaya.

Joel.... Ndakaterera bambo.

Me..... I have feelings for my sister Angel


Joel..... Ndakazviona Kare but kukubvunza kwainetsa.

Ndakabva ndamboramba ndakanyarara.

Me.... Ndodii Shaa.

Joel..... Roora ka.

Me.... Hazvishande ariko mukadzi wandakaroorerwa uko but handidi kana kumuona pedyo neni.

Joel.... Asi vave kuziva.

I nodded misodzi ikayerera.


Me.... Vakatomutsvagira murume but eish chirema.

Joel.... Ma1 ko DNA makamboita.

Me.... Yes ka2 then momz hanzi vakaroorwa vakazara plus vaichengetwa kuorphanage.

Joel.... So mweya yesvina zve.

Me..... Pakaipa. Shaa ndiri pama1.

Joel.... Hope hausati wamubata.


Me.... But I kissed her.

Joel.... Zvakutoda kufamba.

Me.... Takaenda...

Ndakabva ndamurondedzera zvaive zvaitika. Ndakazomudza zvese zvaiitika mazuva iwayo. Ndapedza
akabva angotura befu. Achibva ati

Joel.... Ma1 tsvaga private investigator

Me.... Vanowanikwepi.

Joel...... Rega ndimufonere anosvika pano soon.


Takagara kusvika auya ndikamupa information yevanhu vekumba kwedu. Then Cee ndakabva
ndaenda naye kumarondera. Takagara kumba pasina kana dambudziko. Kana kumbonzwa kuti ndine
musikana mumba. Ndakazoenda kuharare. Ndafonerwa na investigator wangu. Aive ati ndimboite
ushamwari naYolanda kuitira access yefoni yambuya kana yaBamukuru.

Ndakaenda kumba ndakasvika Angel Ari kuroom kwake ndakabva ndasheedza Yolanda. Ndiye
akatosvika nekutndibata. Ndichimusunda. Ndidzo nguva dzakasvika Angel. Kubva kwaakaita
kwakatondiudza kuti aive akatsamwa. Pandakaona azvivharira ndakabva ndatoenda kunotora spare
key. Pandakazodzoka ndawana mumba musisina munhu Hana yangu yakarova dzaimuziva Angel
aipererwa nekufunga.

Ndakabva ndatotora foni kwakutarisa kuti aivepi yes foni yake yaive netreka, ndakabva ndateera.
Ndakaita hasha ndichiwana aine umwe murume. Ndakarwadziwa. Zvekuti ndakaona kti ndikarova
ndingauraye.

Mangwana acho ndiri mukitchen akauya zvekare Yolanda, achingotanga kundibata akapinda zvekare
Angel. Nekuziva munhu wangu ndakamhanya ndichiteera but ndakasvika achitovhara door.
Ndakabva ndatotora spare key. Pandakavhura ndakapererwa kuona munhu achibuda ropa.
Ndakabva ndamusunga kwakufonera Joel.

Me.... Shaa ndikuuyako izvezvi. Angie azvicheka akubuda ropa.


Ndakabva ndatokata. Aizoudzao Cee. Vakapinda bamukuru.

Bamukuru.... Haasi family doctor iyeye. Ndatotaura naDoctor ambulance ikuuya. Musiye achabuda
ambulance yauya. Vakabva vavhara door kwakukiya. Kuti ndisabude. Moziva ndakanzwa kuda
kuvakacha kacha baba ivava.

Pasina nguva yakauya ambulance akatakurwa kuenda kwadoctor. Joel ndakangozo muudza zvaive
zvaitika.

Takasvika kwadoctor zvikanzi Sarai panze. Bamukuru vaive vasipo. Saka ndakabva tanga kufamba
famba zvangu. Ndipo pandakanzwa munhu aitaura pafoni.

Voice.... Job done, ndabaya injection yekuti afe. Ndakakuudza kuti akauya kuno i1 na1.
Ndakatarisa munhu aitaura kwakuona vari family doctor. Ndakabva ndatanga kunzwa kutsva kuhuta,
hasha, kudedera.......

End of chapter

Final chapter

..Daniel..

Ndakabva nndamhanya ndichipinda mukati. Ndakanovhura door raive naAngel. Ndakabva ndaona
Ari padrip. Ndakadzura tuma machines kwacho kwese ndichibva ndamhanya ndakananga kumota
ndakatakura Angel. Doc vakabva vateera. Vakawana ndave kuvhara door remota kuti ndipinde
ndidrive.

F doc..... You are taking my patient without my permission.


Ndakango Kwanisa kumubata colla ndichibva ndamusundidzira zvine simba akabva awira mumaruva.

Ndakabva ndamhanyisa mota ndakananga kusurgery kwaJoel apa ndaive ndatomufonera mota
ichifamba zvekurevesa.

Joel.... Chibaba.

Me..... Am coming to your surgery. Angel abaiw injection rinouraya. I overheard doc vachidero. Buda
panze. Ndave kusvika.

Joel..... Handipo Ini ndandatoenda kuNorton pawangoti mazoenda kwafamily doc. Eish rega
ndifonere munhu aende anomurapa. Ndatove munzira kudzoka.

Akabva akata. Ndakabva ndafonera Cee ndichimuudza zvaivepo. Pasina nguva ndaive ndasvika
pachipatara apa foni yangu yaingorira ndisingadaire.
Ndakasvika akatorwa Angel achibva aiswa mukati. Ndakazonzi ndisare padoor. Musoro wangu
waiita kutenderera.

Ndakabva ndatozviudza kuti this time kana Angel akamuoa bdave kuenda naye kuDRC totonotanga
life yedu ikoko. Tosiyana nezve Hama izvi. Inini Angel ndaimuda iye achindida Saka chaitikonesa kuita
mhuri ndaitochishaya. Vana mom vaizongosara vachiita. Umwe mwana nekuti ndandatofunga
kuenda for good. Ndakaverenga nguva dzakapinda Angel muchipatara. Anosvikepi achingopibda
kuchipatara nhai. I wanted to " FIGHT FOR OUR HAPPINESS"

yes ndaive ndatozvipira kugara nehazvanzi semukadzi wangu.

Cee akasvika akazara misodzi mumaziso.

Cee.... How is she.

Me.... I don't know.


Akabata musoro achiratidza kuti ainyanyisa kufungusisa.

.. Cynthia Moyo..

"Mom.... I believe God will reward you my daughter. You did a good thing. I will always support you
my girl."

Ndiwo mashoko akataurwa namai vangu pandakavafonera ndichivaudza zvekudonater kidney yangu.
I thought vaizondipopotera but vakatondi comforter nekundisimbisa.

Ndakapa Angel my Kidney yes but not because akandibatsira nemari yefees nepekugara, food and
everything including license but because I love her, I love her like my own sister. So ndaisada
kumushaya mulife yangu. Well let me tell you zvinhu zvishoma shoma about my life.
Kumba kwedu takazvarwa Tiri 2 Ini naChrispen. Chris ariiye mukuru. Takakura tichigara namai
kuZaka. Mama vaisave nehama kana imwe chete zvayo yataiziva kana ukavabvunza vaiti vakafa
vese. Ndizvo zvimwe chete nababa. Tikavabvunza nezvababa vaiti vakangomitiswao nevarume
vakasiyana vekuSouth uye vaisaziva kwavaibva. Saka takangokura tichiziva kuti hatina baba. Asi Mai
vaishanda nesimba kuti tiwane chikafu uye kuenda kuchikoro.

Chris akanyora form 6 akapasa aiita masciences akabuda ne20points. Akabva ashaya Mari yekuenda
mberi. Ndipo paakafunga zvekuenda kuSA. Kunotsvaga basa. Tese takatenderana kuti ndini
ndaitanga kuenda kuUniversity kana ndapasa ndoshandao iye achienda. Uye takatenderana kuti
zvekuroora kana kuroorwa tombosiya. NaChris taiwirirana nekunzwanana zvakanyanyisa. Mai
vakabvumirana nazvo. Achibva aenda. Ini ndipo pandaive ndawana nzvimbo paGZU ndaiita Business
Management tese naAngel.

Ndakatanga kudzidza kunyangwe zvinhu zvakaoma asi ndaingoshingirira. Zvinhu zvese zvakachinja
pakauya Angel mulife mangu. I felt like I have a sister. Aive munhu aribhoo ane Mari asi
asingazviratidze. Pandakatanga kuona Daniel akazondiudza hake kuti ihazvanzi asi in ndaive
ndatoona a happy couple. Pandakazoziva kuti vaiitirana mafeelings hazvina kutora nguva kuti
ndizvigamuchire. Kwete nekuti ndaida Mari but because ndaiona love mumaziso avo.

Takagara tichiwirirana kusvika pandakanomupa kidney yangu. Ndakabva ndamboenda kumba. Yes
nekuti Mai vavati ndimbouya.
Pandakasvika ndakarwadziwa ndichiona Mai vangu vachirwara. Ndakazama kuvanyengerera kuti
tiende kuchipatara asi vakaramba. Ndizvo zvavaive Mai vangu zvechipatara kana kuenda kutown
vaisada. Ndakafonera Chris akauya. Akavanyengerera kusvika vabvuma. Takaenda navo pageneral
hospital.

Tapedza kurapwa tave kubuda. Ndakangonzwa munhu akadeedzera kuti.

Voice..... Lisaa

Vakacheuka Mai vangu vakaramba vakatarisa munhu uya. Aive mudhara asi kwete anyanyisa kukura.
Aive akapfeka hembe dzeu Doctor. Akasvika paive namom akaita vekusimudza achibva atenderera
navo. Mama vakango yeredza misodzi. Ini ndaishaya chaitora nzvimbo tese naChris. Nekuti mama
vainzi Nakai Moyo iri rekuti Lisa iri iii hameno. Vakaburutswa vachibva vambundirwa kwakutanga
kukiswa kumeso kwese. Murume wacho airatidza kufara kwakapetwa.

Him.... Lisa uri mupenyu taikutsvaga shamwari I hope mom vakanzwa izvi she will be more than
happy.

Akataura achibudisa foni mom vakabva vaibata foni iya.


Mom.... No need for that Leeroy raramai mararamiro amaingoita I will never come back.

Ndakashamisika nekuti maivangu vaiti havagone chirungu ndakaita kuvhura maziso.

Leeroy..... Lisa daddy died because of that izvezvi mom varikurwara Havana munhu anogona
kuvanyaradza. You are her 1 and only daughter, Lisa please come back for us.

Mom...... Never, you didn't believe me Leeroy. So I don't have any reason for coming back.

Leeroy..... We know that takaresva Lisa but for mama 's sake please she needs you Lisa.

Mom.... Andisati ndave kudà kufa Leeroy, Nyasha anondiuraya. ndiine vana Ava vanoda
kuchengetwa.
Leeroy.... Nyasha Akaenda kuUK ndi ambassador ikoko.

Mama vakabva vaita kutendeuka nekukasira.

Mama.... Nyasha is he married now

Leeroy..... Forget about him my sister we love you.

Ndakaramba ndakatarisa murume uya aiti sister Kuna Mai vangu. Aive neganda remari zvekusa
mbokodzera kuita hazvanzi yamai vangu. Mama vakabva vatanga kuchema achibva avambundira
achivanyararidza. Akatideedza tese achibva atimbundira.

Mama.... Takuenda isu.


Leeroy.... Regai ndinokusiyai kwamuri kuenda

Mama.... No Leeroy. Ndipei number dzako I will call you.

Vakapiwa number tichibva taparadzana. Mom vaive vapiwa Mari yakawandisa. Takadzokera kumba
tikabvunza mama nezva Leeroy.

Mom.... I hazvanzi yangu first born kumba kwedu.

Chris..... Makanyepa wani mom

Mom.... It was for the best.

Me..... Why
Mom.... Baba venyu vaida kundiuraya

Me..... Why

She signed kwakuti

Mom..... story of the past. Ndakunorara.

Chris.... But mom.

Mom.... Kana muchida kuti tiwirirane nyaya iyoyo ngaigume nhasi.

Takabva tanyarara vachibva vaenda kunorara. Tese takasara takangobat muromo. Hatinao kuzotaura
nezvazvo kusvika Chris aenda. Chris akatosiya ati ndisavabvunze it's for the best kana vave kudà
vachataura.
Mazuva akafamba ndakadzokera kuharare , uko kwandaka nodzingwa kumba kwana Angel.
Ndikazonogara kwaDaniel kumarondera.

Rimwe zuva ndakafonerwa naDaniel achiti Angel azvicheka nereza Saka tave kumuendesa
kwadoctor.

Ndave munzira kuenda kwaive kwataurwa akafona zvekare achiti Angel abaiwa injection rekuti afe
naFamily doctor. Moziva ndakarwadziwa. Misodzi yakatanga kuyerera ndichizvibvunza kuti
achazofarao riini umwe wangu.

Ndakasvika pachipatara Daniel achingofamba famba akabva andiudza kuti Joel aive asipo
ndakarwadziwa. Akandiudza kuti kwaive neumwe murume aibatsira Angel. Tichiri mukutaura
yakasvika mota yaJoel. Akaburuka achiita kumhanya.

Kudoor kwakabva kwabuda umwe murume achidzungudza.

Daniel.... Why are you here enda unomurapa. She needs help.
Him.... Am sorry sir we lost her

Daniel akabva atanga kuseka achifamba achipinda mukati.

Joel..... How I thought you said you are draining.

Him.... Am sorry doctor we lost her.

Daniel akabuda muya akazara misodzi achichema.

Daniel..... I want to kill that man. How could he. How could he kill my sister.
Ndakabva ndatoona kuti Angel aive asisiko. Ndakatanga kuchema. Daniel akabva abatwa naJoel.
Akamuvhizura achibva amhanya mukati. Ndakaramba ndichichema angel ndaimuda kudarika zvinhu
zvese zvingadiwe panyika. Pasina nguva pakabva pasvika nurse achibva mukati achiuya pataive.

Nurse.... Doctor Joel shamwari yenyu yazvibaya Ari mutoilet

Ndakapindwa nechando ndichibva ndamhanya ndichiteera mukati takawana ropa richiita kututuma
akarara pasi maziso atovharwa. Ndakachizoridza mhere. Akatorwa Daniel achibva aendwa naye
mune imwe room. Ndakabva ndanzi ndibude panze.

Ndakatanga kuchema ndiripo panze paya I loved them ndaisada kuti vafe vanhu ava. Panera
dzinenge 30mins pakabva pabuda nurse airatidza kuti ave kuenda kumba aive apedza basa.

Me..... Ave sei murume Ari kuonekwa naDoctor.

Nurse..... Moreva apedzesera kupinda uyu here.

Me.... Yes.
Nurse.... Am sorry we lost him, now.

Ndakabva ndatopfugama pasi ndichichema. Ndipo pandakaona Joel achibuda akabata musoro....
Ndakatanga kugomera misodzi ichibuda ndakabva ndatarisa Joel achibva adzungudza musoro
akanditarisa.

Ndakachema ndakarara pasi. Angel aive andisiya vese naDaniel. May their souls rest in peace.

Ndakarwadziwa kuti Daniel and Angel died because of

"UNCONTROLLABLE FEELING"

I wanted them to
"FIGHT FOR HAPPINESS"

End of book

Season 2

Fighting for happiness

Continuation of uncomfortable feeling.

..Mai Cee..
..22 years back..

Ba Chris..... Lisa you have 5 mins kuti undiudze baba vemwana uyu wanzwa. Ukasataura unondiziva.

Me.... Ba Chris doctor arikunyepa.

Ndakapiwa mbama yekuti ndakaramba ndakarara pasi.

Ba Chris.... Ndati ndikuda kuziva baba vemwana wako. Wakandiudza zvisina basa how many doctors
andabhadhara kuti aite maDNA test. Ndiani baba vacho.

Ndakaramba ndakanyarara. Achitaura zvaaida Nyasha Truly speaking I was confused. Yes
ndakaroorwa nemurume wangu ndisiri mhandara asi ndaive ndakapedzisira kusangana nemurume
patove ne6 months. So kuti nditi mwana aisava wake ka ndaizviramba. Ndaingoona sekuti semunhu
anga agara asinganyatso ndidaka maybe anoda kuwana kundidzinga.Regai ndikuudzei kuti ndaive
ndamuwana sei murume uyu.
Ndakanga ndapedza kunyora paUZ pandaiita degree rangu re accounts. Ndabuda pagate ndichibva
ndaona mota yaive yakamira padiki nenzira. Ndakaenda padhuze ndikadongorera ndichibva ndaona
muine mukadzi wechikuru aive akarara achibuda masiriri. Ndakamboda kudarika asi Moyo wangu
wakara ndakabva ndanoka pamota asi hapana akadaira. Semunhu aigona kuDriver ndakangoita
zvivindi ndichibva ndavhura kwakupinda. Ndikasundira mukadzi uya kune rimwe Divi. Ndakamutsa
mota ndichibva ndananga pachipatara. Ndakasvika zvikanzi isugar yainge yavawisa. Havana kutora
kuva vakanga vamuka.

Kubva musi uwoyo Vaive vave kufona everyday vachindiudza kuti vaida ndiuye kumba kwavo.
Ndakazoenda tikanodya vachibva vandipa Mari. Ndave kutobuda ndipo pakasvika Nyasha. Nyasha
aive akanaka zvekuti ndakayeverwa naye. Iye achibva andituka. From there handina kuzoda kuenda
kumba kwavo asi. Ndaive ndatomuda mukomana iyeye.

Mai vake ndivo vakazoti vaida ndiroorwe naye. Ndakafara zvisingaite. Ini namai vake taive tatove
mabest friend. Saka ndakabva ndatobvuma nekuti muface ndaimuda.

Ivo vakanotaura nemwana wavo. Haana kuramba ko handi aive mommy's boy here aiita zvese
zvavanoda. Takarongerwa everything tichibva taroorana. Asi ndisati ndaroorwa haana kana musi 1
waakauya kuzondiona kana kuita nyaya neni paapp kana kufona zvako. Semunhu Aida munhu wake
ndakangosiyao zvakadero.
Takachata muchato wakanetsa naNyasha. Zvese zvinhu zvakaitwa namai vake kunyangwe gown
ndivo vakatenga.

Mai vake vaiita zvekutengesa hembe nezvimweo zvavainotora kuDUBAI neku CHINA. Nyasha aive
counselor webato raitonga mazuva acho, aida politics zvaindimbowa. Uye aive ane mabusness ane.
Mari yaivepo kwete Shoma.

After muchato ndakaperekwa kumurume. Tikatanga kugara. Hapana kana musi waaiita nyaya neni
kana kuronga kana kudiii. Aiti achibuda kuseni aingoisa Mari pachair everyday. Ukamukumbira Mari
anokupa. Asi nyaya taisaita. Kana kiss yake handiizive. Aingoita mutambo wake zvapera otofuratira.
Magirl friends aiita murume wangu asi ndaingomuda zvakadero, uye ndaisabvunza nekuti airova.

Ndakaita nhumbu ndichibva ndazvara mwana mukomana tikamuti Chris akakura kusvika pa4yrs
ndipo pakazofa Mai vaNyasha.

Marriage yakasara yave kutonyanyisa kubhowa. But handaida kusiya Nyasha ndaimuda murume
wangu.
After 1 year Chris aive ave ne5yrs akarwara mwana zvikanzi panodiwa ropa. Ndipo pakazonzi ropa
harisi kupindirana. Ndipo pakatanga nyaya yekuti baba vemwana varipi.

Baba Chris..... Iwe ndikutaura newe ndati baba vemwana wako varipi

Me..... Ndiwe.

Ndakapiwa mbama yakatyisa achibva abuda zvake ave kuenda kubasa. Aive atove mazuva maviri
kubva zvakatanga nyaya iyi. Ini ndainyatsoziva kuti mwana ndewake. Ndakaswera ndichichema.
Ndaisatarisira kuti Nyasha angandidero nemadiro andaimuita.

Manhero akauya akadhakwa mwana wekwa Meraa. Yes ainzi Nyasha Meraa. Ndakamuisira sadza
chibva arikavira kure uko. Pasina nguva kwakupinda tete vangu naLeeroy naLeon.

Mumba medu taive takazvarwa Tiri vatatu chetet kuchitanga Leeroy koteera Leon kopedzisira ini.
Ndini ndega ndaive musikana. Panguva yacho Leeroy aive aroora Leon asina aive anonoka. Baba
vedu vaive Teacher Mai vari nurse. Taisanyanya kuwana uye taisanyanya kutambura zvekare.
Vakapinda vakagara. Baba Chris akasimuka akanotora mapaper akauya akapa tete mamwe hazvanzi
dzangu.

Ba Chris...... ndozva ndakudanirai izvo.

Vese vakabata muromo vakanditarisa.

Leeroy..... Wakadiiko kufunga kuti mama vanodii vachiona zvakadai izvi.

Me..... Lee vana vake akatenga madoctors uyu.

Akasimuka mwana wamai vangu akandirova mbama.

Leon..... Lisa chingotaura chokwadi tione zvekuita nguva ichipo.


Ba Chris..... Dzatove 2 days ndichiti ndiudze baba vemwana wako achiramba.

Tete.... Nhai mainini murume wamakamborara naye musati maroorwa ndiani.

Ndakaramba ndakanyarara. Akasimuka Leeroy achibva abudisa belt, akabva atanga kundirova.
Ndakarohwa. Kusvika ndave kutadza kubudisa voice.

Leeroy..... Simuka tone utore mwana wako unoudza baba nyaya dzako wega

Ba Chris..... Haabvi pano asina kundiudza so endai henyu. Uyu tichapedzerana.

Tete..... Zvekutaura handina mwana wehazvanzi

Vakabuda ndikasara ndichichema. Ndakabatwa ruoko naBa Chris achibva andiisa pakona
kwakutanga kundibata zverough achibva arara neni. Zvakandirwadza kudarika musi wandakabviwa
umhandara. Handina zvandaigona hangu kuita. Mangwana acho akamuka achienda kubasa akakasira
kudzoka.

Ba Chris..... Ndiani baba vaChris..

Ndakaramba ndakanyarara. Pakarepo foni yake yakabva yarira akadaira achibva angoti " bhoo rega
ndiuye."

Akabuda akanoita zvaakaita achibva adzoka kwakunditora.

Ba Chris.... Tikuenda kumba kwenyu Buda tone.

Handina zvandakapindura ndakangotakura mwana wangu tichibva tabuda. Takasvika kumba


ndikanzwa mama vangu vachichema. Ndakusvika padoor ndakavanzwa vachitaura zvakandirwadza
Moyo.
Mama..... Baba Lee munoti ndini ndakamutuma chihure imi maivepi muchisiya mwana wenyu
achinyadzisa

Baba..... Ndokurova handisi mwana wako ka ini.

Leeroy..... Baba musadero hamunga roverani munhu wamunoziva kuti ibenzi.

Takabva tapinda. Mama vachingondiona vakabva vatanga kuridza mhere.

Baba..... Hatina nguva yekutambisa tell us mwana wani uyu.

Me..... Baba mwana uyu ndewa Nyasha. Haangondide zvake anoda kundinyadzisa. Nyasha
akamanikidzwa kundiroora. Iye zvino ave kuita zvaanoda nekuti Mai havasisipo.

Baba.... Nyasha kana usingachade mwana wangu unongotaura ndinomutora zvangu.


Ba Chris..... Ndichaisa Mari muaccount menyu then moita maDNA test na doctor wamunoda. Kana
abuda Ari mwanangu anodzoka akabuda asiri anodzoka futi nekuti ndoda kuti abve andiudza baba
vemwana uyo...........

End of chapter.

Continuation of uncomfortable feeling..

Akabuda baba Chris ndikasara ndichiita kupusa chaiko. Kutaura chokwadi ndaimuda murume wangu.
Ndakasara ndakagara ndega vanhu vese vachibuda kuenda kunozorora. Akazouya Lee akati.
Lee..... Ndataura neshamwari yangu ati achaita maDNA mangwana so tichaenda tese maresults
anobuda manheru.

I nodded achibva abuda. Ndakasara ndikaradzika mwana wangu pasofa ndichibva ndanotora
chingwa ndikadya. Hachina kunyatsodzika but ndaiziva kuti ndikaita zvekutamba ndaifa nestress.
Ndakarara usiku hwese ndichingo zvibvunza mibvunzo yakasiyana siyana asi ndichishaya mhinduro.
Kunze kwakuchena ndipo padzakabata. Ndakatozo mutswa naleon achiti ndamirirwa.
Ndakangosimudza mwana nekunanga kumota. Munzira hapana aitaura neumwe. Takapfuura
tichitora Nyasha tichibva taenda. Process yose yakapera zvakanaka tichibva tapinda mudzimota.
Takasvika tichisiya Nyasha achibva anditarisa kwakuti.

Ba Chris..... Maresults aya achakupinza busy.

Akabva pamota achibva aenda mumba. Takasvika kumba ruri runyararo chete chete. Ndakangopinda
mumba mandairara ndiri musikana kwakugara nemwana wangu.

Chris.... Mama hande Kuna daddy.


Ndakanzwa misodzi kuwanda. Mwana wangu Aida baba vake veduwe. Aive apinzwa panguva
yakaoma veduwe.

Chris..... Mama.

Me..... Yes Chris tichaenda hanty come on let's go out.

Ndakabuda nemwana wangu tikaenda pamushana. Akatanga kundikandira bhora tichitotamba


nguva dzichifamba.

Manheru akasvika Hana yangu yaive yorova. Ndaive ndakagara mumba mangu pandakanzwa daddy
vachindideedza. Ndakasvika pavaive vakabata belt. Ndakabva ndatanga kurohwa. Apa mom
vaichema. Ndairwadziwa nezvaiitika asi hapana zvandaikwanisa kuita. Nyasha akauya akanditora
hapana kana akambopikisa. Ndakaendwa neni kumba Hana yangu ichiita kurova.
Ndakasvika ndikatanga kurohwa. Muviri wangu waive wave kurwadza. Chainyanya kundirwadza
ndechekuti zvose zvavaiita vaiita mwana wangu akatarisa.

Akandikurura hembe Nyasha achibva auya pamusoro pangu apa mwana aive akangotarisa misodzi
yake ichiyerera.

Me..... Ndokumbirao kubudisa mwana.

Nyasha.... Hoo Ini ndini ndisingatenderwe kurara newe akatarisa asi Kuma boyfriends ako unoenda
naye achinoona. Manje paari apaka haasi kunyatsoona rega ndimuise paanoona. Akasimudzwa
neruoko akagadzikwa pamubhedha nechekukoma. Ndakada kusimuka kuti ndirambe. Asi mbama
yandakapiwaka yakaita kuti ndiite zvidzungu. Akabva auya pamusoro pangu kwakutanga kurara neni
zvehasha zviya. Mwana wangu akabva asimuka paaive akasunda baba vake.

Chris..... Ibva Pana mama vangu.

Nyasha akangotendeuka achibva apa mwana mbama yakandivhundutsa. Mwana akangoridza mhere
ka1 kwakunyarara akadero. Nyasha haana kurega kuita zvaaiita. Akatowedzera zvekuti ndakaguma
ndave kuchema.
Achipedza akabva abuda akanogeza ndikasara ndichizuza mwana wangu haana kutora nguva aive
amuka. Akamuka nekuridza mhere. Ndakabva ndatanga kumunyararidza. Ndidzo nguva dzakapinda
Nyasha.

Nyasha.... Budai muno ndave kuda kurara

Handina kana kupikisa ndakango simuka ndikananga muspare bedroom. Ndakasvika


ndikanyararidza mwana wangu achibva arara. Ndakabva ndangorara padiki naye. Asi hope hadzina
kubata. Kuma 3 ndakanzwa door ravhurwa akapinda Nyasha akamonera towel akabva angosvika
nekutotanga kurara neni. Ndaiti ndikada kumupusha ndaibva ndarohwa.

Akabuda apedza. Apa Ini ndaive ndave kunzwa kurwadziwa asi marambiro ndiwo ainetsa.

Ndakarara kusvika Kuma 9 ndipo pandakanzwa vanhu vachitaura vachiuya kwandaive. Mwana
wangu aive akagara pass achifambisa zvimota zvake. Rakavhurwa door baba vake vachibva vatanga
kupinza akasimuka mwana wangu achibva amhanyira pandaive. Akabva asvikao achindimbundira
aive ave kutovatya baba vake. Vakabva vaisa box rema condoms pasi. Pakarepo muroom muya
makapinda varume 4 vakaita kunge mastreet kids . Ndakabva ndamuka ndichishaya chaitora
nzvimbo.

Ba Chris..... Uyu munhu wacho. Tambo iyi musungei maoko musazotambura.

Ndakashaya zvaaireva. Varume vaka vakandibata vakasunga maoko. Vase vakabva vatotaka
kukurura. Ndakashaya kuti zvaimbofamba sei.

Me.... Nhy baba Chris.

Ba Chris.... Ndonzi Nyasha. Vanhu Ava vauya kuzokupa zvinokugutsa sezvo ndakatadza kukugutsa ini.

Varume vaya vaeive vave kutopfeka macondoms. Ndakatanga kubudisa misodzi nekuti ndaive ndave
kuziva zvaaireva. Kunyangwe zvazvo ndaive ndakamutadzira Nyasha aisafanira kunditsvagira vanhu
vanondirepa. Ipapo ndakarangarira mashoko amai vangu musi wandakavaudza Basa ra Nyasha.

" Vanhu vepolitics Havana kumira mushe mwanangu washinga here kuroorwa naye"
Ndakanyatso pindura ndichiti " mama Nyasha akasiyana nevamwe."

Mai vangu vakangoti "heya"

Umwe wevarume vaya akabata makumbo. Varume vakatanga kuchijana pandiri. App ndaisakwanisa
kuscreamer ndaive ndakavharwa muromo. Mwana wangu ndiye aichema akabatwa nababa vake
ruoko. Ndakanzwa kurwadziwa ndichiona mwana wangu achitambudzika nekuda kwangu.

Ndava pane wekupedzesera ndakabva ndangopera Simba zvekutadza kunzwa zvaiitika.

Ndakapepuka Kuma 3 mwana wangu achindimutsa achichema. Ndaitadza kana kusimudza gumbo.

Chris.... Mama nenzara.

Me....... rega ndigeze ndokutorera chikafu


Ndakashingirira kusimuka ndikanogeza ndichibva ndapfeka. Musana wangu waiita kurwadza.
Ndakabuda ndakabata mwana wangu ndichibva ndaenda naye kukitchen. Ndichingopinda akabva
auya Nyasha. Aive akabata bepa.

Ba Chris.... Verenga marules aya. Pano uchabva on 2 condition. 1 kuita zviri apa or ndokuudza
zvimwe zvekuita.

..... Rules.....

1. You will eat 1 meal per day sadza nemaveg manheru chete. Mese nemwana wako.

2. Every morning kuchauya murume anorara newe pa4 vaya.

3. Uchagara muroom mako usinga bude.

4. Paunobva pano ndichaita zvekuti hapana kwaunowana Basa muno muzim kusvika wafa. 2
hautedzerwe kutora passport muno muzim kana kubuda.

5.This is for 1 month.

Ndakaita kudonhedza misodzi. Pachikafu apo ndaizorarama sei. Ko mwana. Ok ko pakurara


nevarume vandisingazive zuva rega rega nhaimi. Ko zvebasa ko zve passport. Misodzi yangu
yakayerera.
Me.... Ko imwe ye chi 2 option.

Ba Chris .... Ndiyo yaurikuda here.

Me..... Y..e..s..

Ba Chris..... 1. You will stay here working for me as a maid for 3 months

2. You kill Chris.

Ndakaramba ndakamutarisa. Ndikanzwa misodzi ichiuya.

Me..... 9 months ndakatakura mwana uyu iwe wongozoti ngaafe never.


Ba Chris..... Mangwana kuseni na7 ndopauri kumuuraya weather you like it or not. And 1 more thing
Buda mukitchen mangu now uchadya manheru.

Akabva abuda mwana wevangu ndakasara ndikachema. Ndakabva ndagara pasi ndichiita kuchema.

Chris.... mama nenzara ini.

Zvakaita kuti ndinyanye kurwadziwa.

Ndakabuda naye ndikanotora tumabiscuits twa daive ndamboisa mumba matairara. Akadya Ini
ndikarara padivi pake. Manheru sadza rakauya tikadya tichibva tarara. Pasina nguva ndakabva
ndanzwa Nyasha achipinda.

Ba Chris..... Ndichambobuda. Ndodzoka na4 ndipo pauchauraya Chris.


Ndakaita kurwadziwa kubuda misodzi. Handina kumborara ndichiti ndikatarisa mwana wangu
ndairwadziwa. 3 payakachaya Hana yangu yakabva yatanga kurova Nyasha ndaimuziva aisatya
kuuraya. Ndakatarisa mwana wangu ndikanzwa kurwadziwa. Ndakabva ndanzwa gate kuvhurwa
kwegate ndakaita kurwadziwa ndakatarisa mwana wangu. Kutiza kwaisaita nekuti pamba paive
pakazara security. Akapinda Nyasha achibva atanga kutaura zvakaita kuti nditange kuchema.
Akatanga nekutsveta chigaba pasi. Achibva ati

Ba Chris..... Uyu mushonga wekuti akanwa haaite 15 mins anenge afa. Iyi itambo yekuti unogona
kumusunga akatofa zvakanakisa. Iri ibanga unogona kumucheka akafa. So am going kunochinja.
Toita Basa na3:30. Very soon ndinenge ndadzoka bye.

Ndakabva ndanzwa misodzi kubuda achienda Nyasha. Ndakatarisa nguva ndikaona dziri 3:15
ndakabva ndanzwa hana kurova kwaive kwatosara 15minutes kuti mwana wangu afe.........

End of chapter

Continuation of uncomfortable feeling..


Ndakatanga kufamba ndichikwira nekudzika. Pasina nguva mumba makapinda munhu anga
akavhara kumeso nemuviri wake wese kusanganisira maoko. Akasvika akasimudza mwana wangu.
Achibva andibata ruoko kwakutanga kufamba achibuda neni. Takafamba kwakubuda padoor
rekuseri achibva aenda pakona yedurawall chibva aisa mwana ipapo then kwakundikwidza achibva
akwirao. After that akabva akwirao kwakuburuka achibva atitakura kwakuburuka nesu. Takabatwa
maoko akamhanya nesu kwakunomira pakona yaibuda mustreet medu. Pakabva pamira mota
yakatitakura kwakuenda nesu mutown. Vanhu vacho vese vaive vakavhara kumeso. Takabva
tananga kuMbudzi tichisvika ikoko. Mota yakamiswa ndichibva ndabatwa ruoko nemunhu
wandaive ndakagara naye. Akabva anditambidza kapesy kadiki achibva avhura door. Padoor pakabva
pasvika umwe murume akasvika achindibata ruoko achibva atanga kufamba neni mwana wangu
ndaive ndamubereka. Akasvika achibva ati ndipinde mukombi. Akabva adanidzira zvakandishamisa.

Him..... Mufambe mushe nemukadzi wangu.

Mota yakabva yasimudzwa yakananga kwandaisaziva. Mwana wangu aive akarara. Saka nenio
ndakabva ndatobatwa nehope. Ndakapepuka kuma7 kwatochena. Ndakatarisa panze ndichibva
ndaona paive pakanzi well come to masvingo. Ndakashaya kuti taiendepi. Mwana wangu akabva
atomuka achinditarisa. Ndakabva ndanyemwerera. Pasina nguva kombi yakamira. Vanhu vakatanga
kuburuka. Ini ndakaramba ndakagara pasi.

Conductor..... Burukai sister toda kuenda.

Me..... Ndiendepi.
Conductor..... Kwamurikuenda

Ndakabva ndatoshaya zvaaireva. Ndakabata mwana wangu kwakuburuka naye.

Conductor..... Masiya kabag kenyu oyi.

Ndakatambira kabag Kaye. Ndekaya kandaive ndapiwa nevarume vay. Masvingo yacho
ndaisambiziva ndaingoiona pamap ndakabereka mwana wangu netauro randaive ndapiwa nevarume
vata ndakabva ndatanga kufamba ndichienda paive nevaitengesa. Ndakasvika ndikamira ndave
kushaya zvekuita. Ndakabva ndafunga kuti ndaive nekabag kandaisaziva kuti kaive nei. Ndakabva
paive nevanhu kwakutanga kufamba ndichienda pangu ndega. Ndakabva ndasvika kwakuvhura
kabag kaya. Pamusoro paive netsamba yaive yakanzi "Kuna Mai Chris"

Ndakabva ndaisa tsamba padivi kwakutanga kuvhura. Ndakabva ndaona katrack suit kachris bhutsu
nechimota chake. Ndikaonazve dress rangu nejuzi. Muzasi maive nemapant negaba re vaseline
ndakaonazve sipo, kosoita wallet yaive nemari yakawandisa ndakaita kuvhura muromo ndakatarisa
Mari iya ndichiita kushamisika. Ndakabva ndadzosera zvinhu ndikatora tsamba iya kwakuivhura.
...Kuna Mai Chris....

Ndanzwira tsitsi mwana asina chaakatadza panyika. Mari iyo ndakaiba mumba mababa Chris
muitore mushandise zvakangwara. Chimwe chinhu zivai kuti baba Chris vari kwese kwese saka
kumasvingo kwamaenda ikoko. Endai kunana mwenezi kana kwagutu kuchisheche, nzvimbo
dzandataura dzirikutengeswa Misha kana muchida kurarama chitotangai upenyu hutsva mosiyana
nezve Hama nekuti Nyasha will destry you and your family. But don't worry about family I will be
there for them. Make sure hamubatwe. Mukabatwa neyanguo life inoparara. Usatombofarisa
uchigara mumatown nekuti anokuwana.

By.... You beloved maid .... Memory....

Ndakachema ndakabata mwana wangu. Memory Memory memory.

Memory ndaive ndakamunhonga ndichangoroorwa achiti akashaikirwa namai vake baba nemukadzi
wavo vakamudzinga so aive akatorara padivi nenzira. Ndakabva ndamutora. Aive munhu kwaye saka
ndakanga ndamupa Basa kuti ashande semusikana webasa. Pavanhu vese vaive pamba pangu ndiye
aive atove ne6 yrs ega. Basa rake aiita nemazvo zvekuti chero ba Chris vaimufarira vaisada kuti
timudzinge.
Ndakachema nemufaro ndakabata tsamba iya. Ndakabva ndaverenga Mari ndikaona iri 600
ndakapembera kani. Ndakabva ndatakura mwana wangu kwakumuisa kumusana ndichibva
ndatanga kufamba ndichibvunza kwaitengeswa sadza. Ndakakuwana ndichibva ndabhadhara tikadya
nemwana wangu.

Munoziva zvinoita mwari so paunenge wapererwa ndipo paanotangira. Ndakangoti ndakupedza


kudya makapinda vamwe vakadzi vachitaura nyaya dzavo.

Lady1: imi ndakagara ndazviziva Ini kuti hakuna kwazvinosvika mukadzi waNoah haadi zvekumusha.

Lady2..... Mugoona pamba paya pakanaka henyu.

Lady 1..... Vari kuutengesa mariiko musha wacho.

Lady2.... Haaa 300 funga Mari Shoma Shoma yakadero.


Vakanga vakagara paneimwe table ndakabva ndasimuka ndichienda kwavaive. Ndakasvika
ndikagara.

Me..... Makadii henyu.

Lady 2.....mushe murisei.

Me.... Ndofara ndanzwao muchitaura zvekuti munotengesa musha

Lady2..... Muroora wangu arikutengesa. Mukuuda.

Me.... Hongu.
Lady 2.... Regai ndifone.

Akafona mukadziuya achibva atondiudza mashoko akandifadza.

Lady2.... Hanzi ndiri kusvikapo soon totaurirana kuti monokuona riini.

Takazotanga kuita nyaya dzavo kusvika munhu airehwa asvika. Takamhoresana achibva agara pasi.

Her.... Handi maunzwa price.

Me ..... Kwete

Her.....i250
Lady2..... 250 AAA Shoma Shoma yakadero.

Her..... Ndoda kuti itengwe tete. Noah anozochinja fungwa handidi zvekumusha Ini. Saka toenda
riini.

Me ..... Chero izvezvi.

Akabva afonera murume wake vachibva vataurirana.

Her.....saka handei kumota tinotora murume wangu.

Takapinda mumota tikanotora murume wacho. Tichibva tananga kuZaka. Mwana wangu aive
akatorara Tiri murzira kuenda kudero. Ndakasvika pamba pacho vakanditendekera vachibva vati
totanga kuenda kwasabhuku. Takanotora sabhuku uya tichibva tataridzwa Munda uya. Ndakabva
ndatovaudza kuti ndaufarira. Pamba pacho paingove neround imwe chete.
Takadzokera kumota ndichibva ndatoverenga Mari iya kwakuvapa. Sabhuku vakabva vandiudzao
kuti paidiwa mbudzi nehuku mbiri then kana ndave kugarapo ndozoita matavapano.

Me..... Ehoi. Ndofunga ndichauya mangwana.

Takatenderana ndichibva ndatopiwa makey eimba iya maive musina chinhu mukati. Ndakabva
ndatopinda mumota tave kudzokera Harare. Vakandisiya mutown Ini ndichibva ndatotanga kufamba
ndichibvunza kwaitengeswa mabhero. Ndaida zvekuzopfeka nemwana wangu.

Ndakaenda kuchitima ndakanotenga tuhembe twemwana netwangu. Ndakabva ndpinda mutown


kwakutenga machira maviri, mapoto matatu ndiro 6 nekapu mabhaketi maviri mubadza mugoti.
Kunze kwakabva kwavira ndikangowaridza mutown imomo kwakurara nemwana wangu. Mangwana
acho ndakatenga chikafu. Ndaknyanya kutenga chibage. Ndakatenga zvese zvandaida ndichibva
ndatoisa muchingoro kwakunosiiwa kumakombi.

Kuma12 masikati ndive ndasvika pamba ndakavhura door ndikatanga ndatsvaira kwakuzopinza
zvinhu zvangu. Ndakapfugama ndichirumbidza mwari nezvaaive andiitira.
...2 weeks later..

Ndaive ndichigara zvakanaka munzvimbo yezaka. Ndaive ndatangao kagarden kangu pamba sezvo
paive nemugodhi upenyu hwaitofamba.

Rimwe zuva ndakamuka ndichinzwa musoro ndichingorutsa rutsa. Ndakabva ndafunga kuenda
kuchipatara. Ndakanosiya mwana wangu panext door ndichibva ndaenda kuchipatara.

Ndkatariswa naDoctor achibva anditi ndine pamuviri pane 1month. Ndakangodonha ndichibva
ndanyarara........

End of chapter

Continuation of uncomfortable feeling..


Ndakapepuka ndiri pabed repaclinic. Nurse akauya akandipa mapills ndichibva ndatobuda kuenda
kumba munzira ndaingochema. Nhamo dzaive dzandinyanyira Kani. Ndakasvika kumba ndikatora
mwana wangu kwandaive ndamusiya. Iwe pfungwa yakamboti bvisa nhumbu asi ndakakasira kuti
ndidzo Hama dzangu dzega panyika uye ndikazofa Chris aizowana wekusara naye. Mazuva akafamba
ndichibva ndatotanga kutengesa muriwo waive wawanda zvainakidza. Ndakabva ndatoendesa Chris
kuchikoro.

Mazuva ekutanga aichema mwana wangu achiti anoda nyama or chocolate apedza oti dakuvaudza
daddy vangu. Ndaibva ndanzwa misodzi kuzara Kani asi chekuita ndipo paive pasina.

Chris..... Mama tichaenda Kuna daddy

Me.... Aiwa mwanangu hatiende.

Chris.... Mama, daddy vachauya kuno


Me..... aiwa havauye Chirs

Chris..... Saka tichagara kuno.

Me .... Yes mwanangu ndiko kwave kumba kwedu

Ndaizama nepandinogona Napo kufadza mwana wangu. Nekukurao zvakazopera zvadaddy

..9 months later..

Ndakaive ndatopona mwana wangu aine 1 month, Aive musikana Zita ndakamupa rekuti Cynthia.
Mwana aive akafanana naNyasha iyeye zvekuti haubvunze kuti ndewani.
Pa nextdoor pangu Pakauya mukomana ainzi Tonderai aive mwana wasisi vamai vepo. Achishanda
kuzvitupa mumasvingo. Takatanga kuwirira kusvika ndakumbira kuitirwa birth. Haana kumbonetsa.
Rakauya birth raive rakanzi Nakai Moyo ndakafara sendichabata denga. Ndakabva ndatoita
zvechitupa. Zvichipera ndakabva ndatoresa vana vangu mabirth. Everything went well zvekuti
handina musi wandakambo tambura nezvinhu zve vana vangu.

Makore akafamba ndichiita zvekurima vana vangu vachienda kuchikoro. Ndaizama nepese
pandinogona Napo kuti vana vangu vadzidze.

Rimwe zuva Chris ari grade 7 ndakarwara ndikadonha ndichibva ndaendeswa kumasvingo general.
Ndri muward ndakangosimudza musoro wakuona Leeroy. Panguva iyoyo aitorapa munhu ndakabva
ndatoburuka pabed ndikatiza muchipatara ndichienda kumba. Kubva musi iwoyo handinazve kuzoda
kukwira bus ndichienda kumasvingo. Ndaive ndave kugara pamba. Ndaisada zvinonetsa muupenyu
hwangu.

Makore akafamba Chris akanyora form 6 kwakubuda ne20 points. Ndakafara chaizvo asi mufaro
wakazopera ndaziva kuti ndaisave nemari yekuendesa mwana kuchikoro iye akazviona achibva auya
pandaive kwakutanga kundipuruzira hake kumusana.
Chris..... Mom don't worry. Ndotsvaga zvekuita from there ndozoenda kuUniversity.

Me..... Zvinengei izvozvo

Chris..... Kunotsvaga Basa kuSA

Me...... A big no ko ukanofirako.

Chris.... mom vamwe vanoendao

wani

Ndakazo mubvumidza anzwa nekunyengerera. Akaenda ndikasara naAngel. Akazonyorao akapasa.


Ndipo paakawana nzvimbo paGZU Aida kuenda Harare asi ndakamurambidza ndaitya kuti anogona
kusangana nababa vake. Ndaifunga kuti vachipedza kunyora ndovaudza nezvababa vavo kana vave
kuseenza.
Mazuva akafamba Cee Ari kuchikoro. Akazofona achiti ave kugara neshamwari. Ndakabatikana zvese
nekufara. Ndaisada kuti vana vangu vazive nezvababa vavo vega. Ndaida kuzogara navo pasi
tonyatsotaura.

Vakazouya Cee naAngel. Ndakafara kuona Ari mwana anobva kuvanhu ane hunhu netsika.
Ndakanzwa kumuda semwana wangu wandakazvara. Iyeo aindida samai vake.

Mazuva akafamba Cee akazofona achindiudza zvinhu zvakandityisa.

Cee.... Mama, Angel arikuitirana mafeelings nehazvanzi yake and it's strong.

Me..... Aaaaa how,


Cee..... Ndozviripo mom Cee akatomboda kuzviuraya.

Me..... Okay iwewe support her womuudza kuti vaende kumasowe kana kunamata kana Ari Satan
zvopera asi kana zviri zvekuti vakanyeperwa kuti vana vemunhu umwe Chete vanotozoroorana.
Madzinza avo anenge achida kubudisa chokwadi.

Cee ..... Okay mom. But inini ndichitanga kuvaona ndakatoti mukomana nemusikana or vari married
enyu. Kwakuzonzwa kuti ihazvanzi.

Me....... Saka pane zviri kuitika. Namatai vasikana.

Ndapedza kutaura nemwana wangu ndakapfungama ndikanamatira Angel. After that I felt okay.
Ndakagara kusvika ndazonzwa zvekuroorerwa mukadzi kwehazvanzi yacho. Ndaingovanamatira
nguva dzose.

Angel akaenda kuchipatara arohwa ndakafonerwa naCee achikumbira kudonater kidney yake.
Ndakanzwa kufara moziva kufara kuti afunga zvakanaka. Pakabuda Cee muchipatara akabva auya
kumba. Mazuva acho ndairwara asi ndaisada zvechipatara. Akauya Cee achibva afonera Chris kuti
Mai vari kurwara. Chris haana kumboita mazuva aive auya vakandinyengerera tikaenda kuchipatara.
Ndikafara tapedza kurapwa takuenda kumba. Ndakazorohwa nehana ndadeedzwa. Ndakacheuka
kwakuona Ari Lee aive aneganda remari. Ndakarwadziwa nekufa kwababa vangu asi ndaisada
kudzokera Harare saka ndakangokura number yaLee ndichibva ndaenda kumba.

Munzira ndairohwa nehana ndaitya kubvunzwa nevana vangu Nezva Lee. Takafamba Zvakanaka
tikasvika kumba pasina abvunza. Cee akabika tikadya pasina abvunza. Vakabva vatanga zvavo
kutaura nyaya dzavo.

Chris.... Sadza rarisina kuibva iri.

Cee.... Rooraka ubikirwe.


Chris..... Nhai mama ndiroore.

Ndakangoseka ndikanyarara.

Cee..... Vatobvuma roora.

Chris..... Futseki ndomupei mukadzi wacho.

Cee..... Sadza zve aaaa.

Chris...... Handidi mukadzi anodya sadza.

Ndakaoma nekuseka zvangu.


Cee..... Manje unomupei.

Chris..... Zvechirungu ka.

Cee.... Haiwao zvaunobepi.

Chris..... Ndoshanda plus Mari yaucharoorwa iwe ndiyo yandichachengeta nayo mukadzi wangu.

Cee..... Kkkkkkk ukwane Ini handiroorwe zvekudaro. Ndikapedza chikoro ndotomboita makore
ndichishanda. Varume Ava vanoparira.

Chris..... Ndianiko anenge achikunyepera. Hapamborina kuparira apa ukadanana na Tonde


watopinda.
Me...... Kkkkkkk Chris usadero mwana wangu iwe Tonde kuti ashayei. Neni ndingatoramba
kuinhonga Mari iyoyo.

Cee..... Zvenyu mama muudzei uyu.

Chris..... Tonde zvaanongove murume bhoo wani kkkkkkk.

Tonde wacho aive akaita zimcare Ari mutema tema akashata zvekuti mwana akamuona anorara
achivhumuka. Kkkkkkk.

Me..... Usanzwe zvako iwe Chris anopenga uyu. Pedza chikoro uzvishandire

Cee..... Zvenyu mama muudzei.


Chris..... Mama mave kutotsindira mwena unobuda ishwa imi aaaa honai makuvhunditsa shiri yangu
Yaya dyira bho bho. Kkkkkkk

Cee..... Chris ndokurova.

Chris..... Ita plan Shaa uroorwe natonde ndidye Mari yangu.

Takaseka nyaya dzakachizotsva zvaive zvaitika masikati hazvina kumbotaurwa. Takaita a long prayer
tichibva tanorara.

Ndakarara naCee but haana zvaakabvunza aitoitao hake dzimwe nyaya.


Mazuva akafamba Chris akadzokera pasina zvaabvunza. I felt respected as a mother but at the same
time I felt sorry. Takasara naCee ndaive ndatopora naiyeo aive apora. Ndipo paakazodeedzwa
maDaniel. She went to Harare akanonzinzwa kumba kwana Angel after that ndakanzwa kuti angel
aendeswa kuchipatara achida kuzviuraya

Rimwe zuva ndakaona Cee achifona ndichingori hello. Ndakanzwa mama mama mama Kani Angie
wangu mama.

Misodzi yangu yakabva yayerera..

Me..... Chii mwanangu.

Cee.... Daniel na Angel vashaika.


Ndakaramba ndakanyarara ndapererwa nemashoko. Ndakazonzwa voice from background raiti......

" Nhai we Cee ndiani ati Daniel afa."

Cee..... Nurse abuda apa ndamubvunza kuti mukomana apedzesera kupinda avesei akati ashayika..

"Apedzesera kupinda apinda nedoor rekuseri uko. Afa achingotanga kuiswa pa oxygen."

Cee..... Ko Daniel.

"He is fighting for his life"


Ndakabva ndanzwa noise yemunhu aiti.

"Doctor there is an emergency please"

Foni yakabva yakatwa........

End of chapter

Continuation of uncomfortable feeling..


.. Cynthia..

Kubva ndichizvarwa ndaive ndisina kumbooinda murudo kana kudanana nemunhu ndaive ndisina.
Saka chinonzi rudo chacho ndaisato chiziva ndaingonzwao. Kwete nekuti ndaisanyengwa asi nekuti
ndaisada kuita mukomana.

Upenyu hwandakakura ndichirarama hwakandidzidzisa zvinhu zvakawanda Wanda. Ndaidao


kuchinja life yamai vangu.

Rudo rwa Daniel na Angel rwakaita kuti nditye kupinda murudo. Vaidanana zvawaiona wakavatarisa.

Pandakanzwa kuti Daniel aive mupenyu ndakafara kuita sendahwina lotto. Akapinda mukati doc
Joel ndikateerao. Ndakabva ndasvika muroom maive naAngel aive akaiswa pabed raive rave padoor.
Joel akabva atanga kumubata Bata apedza akatester heart beat achibva anyemwerera
kwakumhanya kuno isa Angel pa oxygen. Ndaive ndave kutoshaya chaitora nzvimbo.
Me..... Aita sei Joel

Joel..... Pinda

Ndakapinda ndikatarisa Angel ndichitya akaita zvaaiita achibva andipa pekugara. Akabva tanga kuita
zvaaiita for long time ingangoita 2 hours. Ini ndaive ndakangotarisa. Papera 2 hrs ndakaona ave
kunyemwerera.

Joel..... Am happy she is alive

Me..... Joel

Joel...... She is fighting for life. Paanga ave kuiswa mu mochery asimudza zvigunwe
ndopandasheedzwa. So for now ndakwanisa kubvisa 70% yepoison yacho. So ndamirira injection
ririkusvika mangwana from there I will know kana achikwanisa kurarama.
Ndakamutarisa misodzi ichiyerera.

Me.... Ko vabereki vavo tovaudza here

Joel..... Because of that poison I think we must take them to gweru.

Me..... Gweru. Ini handina hama iriko.

Joel..... Kune vabereki vangu. Unonogara ikoko.

Me.... Okay vanobvuma here.


Joel.... Yes, hande todya.

Me.... Handina appetite.

Joel.... Please for Daniel and Angie please

Akabva andibata ruoko tikaenda kumota yake. Takabva tananga kumba kwake.

Me..... Ko tauya kuzodii.

Joel.... Ticharara kuno then tosimuka Kuma 4 kuenda kuGweru.


Me.... Ok

Ndakapiwa pekugedza ndikageza after that ndakabva ndadya kwakurara.

Ndaive ndave nemufaro. Chandaingo namatira kuti Daniel na Angel vapore. Angel was like a sister to
me. Ndainzwa kumuda nemoyo wese.

Hope hadzina kunonoka kubata. Nekuti ndaive nemufaro wakapetwa. Mangwana kuseni ndakamuka
ndichigeza ndapedza ndakatsvaga Joel ndikamushaya ndakanogara kusitting ndakamumirira. Pasina
nguva akapinda achimhanya mhanya.

Joel.... Let's go shaa.

Me.... Hembe dzangu dziri kumarondera.


Joel..... Tonotenga dzimwe pane zvirikuitika handei. Ndakanonga foni kwakubuda ndakananga
kumota. Kwaive kuma5 kuseni.

Takanopinda mumota achibva aimutsa tave kuenda

Joel..... Vanhu vekumba kwana Angel vane nhamba yako here.

Me..... Yes.

Joel..... Dzima foni.

Me.....why.

Joel..... Ndima foni pane zvri kuitika.


Ndakangodzima foni tichibva tatanga kuita nyaya achingondibvunza nezveupenyu hwangu.

Me.... Angel is my friend. Ndomudira kuti haadade, haatsvinye, ane rudo rwechokwadi. I hope she
will be fine.

Joel..... Zvimwe zvinenge zvave zvemhepo izvi. So kungonamata ndokuzvipedza

Me.....dai mwari atibatsira.

Joel.... Yes.

Me.... Can you please do a DNA test ndoda kuziva chokwadi


Joel.... Okay but kana vave Nani not now.

Me.... Thank you

Joel..... mukomana wako aripi.

Me...... Kumba kwavo (I lied)

Joel..... Anonzani.

Me.... Abi
Joel..... Abi kudii

Me..... Abgirl

Joel akaseka zvekuti ndakavhunduka ndikamutarisa.

Joel.... Abgirl

Ndakabata muromo ndafunga kuti ndaive ndataura Zita rechisikana

Joel.... I knew it. Hauna mukomana cee.

Me... Hoo.
Akabva aseka zvekare. Ndakaramba ndanyarara iyeo haana kuzombotaura kusvika tasvika kuGweru.
Takaenda kusurgery kwake achibva ambogara kwenguva achiita basa rake. Akazopedza achibva auya
akanditora tichibva taenda kushop yehembe. Akatenga hembe, bhutsu nezvimwe zvekupfeka.
Takazonotsvaga chikafu tikadya. Kuma 4 takapinda munzira toenda kumba kwavo. Kumba kwacho
kwaive kwakanaka zvakanyanyisa. Takasvika tikapinda akapaka mota. Mumba makabva mabuda
umwe mukadzi aive akafanana naJoel.

Her.....titambire baba future.

Akaburuka akambundira Mai vake. Ini ndakabva ndaburuka. Ipapo ipapo vakabva vatochinja face.
Inio ndakabva ndatopusa.

Joel.... Tora bag tipinde mumba.

Ndakatora bag rangu. Mai vaya vakabva vashunamisa kumeso. Vachibva vafamba vachipinda
mumba. Ndakateera nebag rangu but I was no longer comfortable. Ndakapinda mumba vanhu
vatogara, ndakabva ndagarao. Pasina nguva mumba makapinda mukadzi aive nenhumbu yaive
yatokura.
Her.... Titambire daddy.

Aitaura achienda panaJoel. Joel akabva asimuka akasunga kumeso.

Joel..... Ruth ibva pamberi pangu. Handidi kukuona nekadumbu kako.

Makabva mapinda murume akati...

Him.... Mai Jo udza mwana wako asauye nemahure ake pano.

Joel..... Stop it daddy. Ruth ziva your limits if you want to continue staying here. Daddy munongoti
hure manzwa kuti ndiani here. Handidi kuenderwa mberi.
Daddy vacho vakabva vagara pasi munhu wese aive anyarara achiterera zvaida kutaurwa naJoel. Iye
aive achitobaya foni yake. Akazosimudza musoro papera kanguva kwakutarisa munhu wese achibva
ati...

Joel.... Uyu anonzi Cynthia Moyo. Ishamwari yehazvanzi yaDaniel. So auya kuzoona umwe wake
achirapwa and so forth. She will be staying here. Momupa room yake

Mai Jo..... Hapana room isina munhu.

Joel.... Ngaaende kuroom kwaJane.

Everyone nodded achibva abuda Joel Ini sarei ndakagara pasofa. Ndakanzwa mota yave kumutswa
achibva aenda. Mai vaJoel vakabva vapinda.

Mai Jo..... Hausi type yemwana wangu saka usatombode kuzvimisa misa panapa. Buda Buda tone
ubve pano asati auya. Simuka Tora kabag kako.
Ndakasimuka ndichibva ndatora bag kwakutanga kufamba ndichibuda. Ndichingobuda pagate. Gate
rakabva ravharwa ndakazama kubata bata foni ndichibva ndafunga kuti ndaive ndaisiya kumota.
Misodzi yakabva yauya ndikatanga kuchema. Ndaive ndisina kumbopinda muGweru kubva
zvandakazvarwa. Pakarepo gate rakavhurwa zvekare achibva anditarisa mukadzi wemimba.

Ruth..... Usadzoka pano futi. Ibva wadzokera Harare kwavo ukaona ukangoonetwa naJoel I will kill
you.

Ndakarohwa nehana ndichibva ndatanga kufamba ndichienda kwandaisaziva. Ndakazongoona umwe


Muti mustreet imomo ndichibva ndagara pasi. Ndakagara kusvika kuma 6 pandakaona mota ya Joel
misodzi yangu yakauya ndichibva ndamira muroad. Akamisa mota achibva anditarisa achiratidza
kushamisika.

Joel..... Ko ukuitei ipapo

Me..... Ndipoo Mari ndiende masvingo.


Ndichipedza kutaura ndakabva ndatanga kuchema. Iye akangoburuka mumota achibva andivhurira
door.

Joel.... Pinda.

Me... No

Joel..... Don't be stubborn pinda tone.

Ndakapinda achibva amutsa mota kwakutanga kufamba akananga kumba kwavo. Takavhurirwa gate
nababa vacho. Mai vacho vakabva vangobuda mumba vachifara Fara. Vachingondiona vakabva
vatotsvava.

Joel akangoburuka nekundibata ruoko achibva apinda neni mumba akabva afamba neni kupinda
musitting. Takagamuchirwa nevasikana vaviri.
Joel.... Uyu anonzi Joyce ndiye anonditeera iform 5 then uyu iform 3 ndiye last born anonzi Joyful.
Ndini first born.

I nodded.

Joel..... Girls uyu anonzi Cynthia tichave Naye pano mazuva anoteera. Joyful ndiwe ucharara Naye
muroom mako. Tora bag rake muende.

Akanyemwerera achibva atora bag Riya tichibva taenda kuroom kwake. Mumba maive ne............

End of chapter

Continuation of uncomfortable feeling..


Mumba maive netsvina zvamo imomo. Kuti uti munogara munhu waigona kuramba. Ndakatsveta
bag ndichibva ndabuda Naye have kuenda kunodya. Takadya ndichibva ndaenda kuroom yatairara.
Ndakasvika ndikapfugama ndikatanga kunamata. Ndakanamata for a long time. Ndichibva
ndazosimuka ndave kurara.

Hope dzakasvika pakubata Joyful asina kuuya. Ndakarara zvakanaka though ndaisafema mushe
nesvina. Makuseni ndakamuka Joyful achipfeka kuti aende kuchikoro.

Joyful..... Sisi mamukasei

Me..... Mushe urisei. Nhai ko surf inotengeswepi.

Joyful..... Ndipei ndokutengerai ndichinotenga chingwa.


Me..... zvoita here kuti ndiwache machira.

Joyful.... Munenge mandibatsira.

Ndakamupa Mari akanotenga surf kwakuvhura kusenisa. Vanhu vaive vasati vamuka akadzoka
ndatobvisa machira ese pabed. Akabva andiratidza mubath mekuwachira.

Ndakawacha machira ndikapedza ndichibva ndaisa mudhishi kwakunonika pandaive ndasiya


ndararidzwa naJoyful. Ndapedza kunika ndakacleaner mubathroom maiita sekuti munogezeswa
guruve iri svina. Pamba pacho pese paive neusvina. ndakadzokera Mumba mandaive ndarara
ndichibva ndatanga kumugadzira ndaktanga nekuchija order yezvinhu kwakunyotso cleaner
ndichipedza ndakatora hembe dza Joyful dzaive nesvina ndichibva ndatanga kuwacha. Ndipo
Pakauya Mai vake kubathroom.

Her..... Saka unoti ukamira Mira tobva takuda here pano forget and smile. Kana wakavinga hazvanzi
yaDaniel wadii kuenda kuchipatara.
Ndakaramba ndakanyarara. Yes kuchipatara ndaida kuenda asi nguva dzandakamuka Joyful aive
andiudza kuti Joel akabuda usiku achienda kusurgery. Vakataura zvavaida vakasvika pakubuda
ndisina kupindura. Ndapedza ndakanika hembe ndichibva ndaenda kukitchen kunotsvaga chikafu.
Ndakasvika muna Ruth.

Ruth..... Ukudei kuno.

Me.... Kudya.

Ruth..... Kudya? Wakauya nechikafu here iwe Buda muno kasika.

Handina kupikisa ndakanorara. Kuma 2 hembe dzaive dzaoma ndakabva ndatanga kudzipeta
ndichirongedza muwardrop. Apa nzara ndaive ndanzwa. Ndakangozonzwa ndabatwa bendekete.
Ndakacheuka ndikaona Ari Joel.

Joel..... This room looks knew thank you.


Me..... Okay. Varisei.

Joel..... Ooh nezuro mushonga uya wakauya kubva kuSA so ndandanopedzisa basa. Mumuviri
maAngel hamusisina poison tamirira kuti amuke now. Daniel achiri zvaaive nezuro I hope he will be
fine.

Me ..... Thank you

He smiled achibva anditambidza paperbag riya. Ndichingotambira vakapinda Mai vake vachibva
varibvuta. Iye akangotena ka1 achibva avapa mbama yekuti ndakaita mudumbu. For the first time
ndakaona mwana anorova Mai vake. Ndakabva ndangobuda ivo vachakabata dama ravo.

Joel..... Cee, Cee wait I will explain to you everything.


Achiri kutaura foni yake yakabva yarira akadaira achibva ataura zvakandi vhundutsa.

Joel..... Ooh no no no ndiri kuuya soon. Eish angel please fight for your life.

Ndakamutarisa misodzi yazara mumaziso.

Joel..... She will be okay let's go.

Ndakanopinda mumota tichibva taenda. Munzira mota taimhanyisa Ini ndichingo chema

Joel...... Don't cry please


Akataura achida kundibata. Ini ndakabva ndanzvengesa ruoko rwangu. Ndichibva ndatarisa side
achibva atanga kufambisa ruoko rwake pane rwangu. Ndakaita kurwukandira kure uko ndichibva
ndatanga kuchema.

Joel..... Sorry see, sorry.

Takasvika pachipatara pasina arikutaura neumwe. Akabva aburuka Ini ndikateera. Akasvika
achinanga kwaive naAngel. Ndakabva ndateera ndichingomuona ndakabva ndatanga kuchema.

Joel...... Muno hamubvumirwe kuchema Cee. Angel anenge achibvifila so anononoka kupora.

Ndakapukuta misodzi ndichibva ndagara iye achiita basa rake. Haana kutora nguva aive atoti
nfmdapedza hande.

Me..... Ndoda kugara kuno.


Joel..... Todzoka soon hande todya.

Ndakamunyararira ndichibva ndaenda paive naAngel kwakugara ndakamutarisa. Iye akabva aiuya
kumashure kwangu kwakubata mapfudzi angu. Ndakamupushira kure uko achibva abuda. Ndidzo
nguva dzakafona mama.

Mama...... Voice rako riri kundiratidza kuti wakatsamwa.

Me.... Yes mom zviri kuitika kuno ka ndichapedzesera ndabva ini.

Mom.... Ko Angel anosara Nani. She needs you

Me..... Mama ka. Mai vaJoel havandide pamba pavo. Vandinyima chikafu nhasi. Joel akazouya
nechikafu changu akandipa ivi vakabvuta. Abva avarova mama I can't stay with someone anorova
Mai Ini.
Mama..... Ivo vati chii

Me..... Hapana vanyarara.

Mama..... Don't judge a book by its cover. Mupe nguva atsanangure zviri kuitika. Kana kungosiyana
nezve pamba pevanhu woita zvavakafambira. Unomuka wogeza wogadzira pawakarara woenda
wonoswera kuchipatara. Ibva pamba vasina kumuka wodzoka time dzekurara. Siyana nedzimba
dzevanhu. Mudzimba mune nyaya umu mwanangu. Asi for Joel usamutsamwira Fara kuti Ari
kubatsira shamwari yako. Dai akaramba Ari Harare vaifa vese. So siyana nemhuri yevanhu uite
zvawakafambira mwanangu

Me..... Okay thank you mama.

Mama.... Okay. I hope kusvika pa Christmas mavenge vapora coz ndoda kuti muuye mese naChris
pane kwandoda kuenda nemi nezvandoda kukuudzai.
Me..... Pachinenguva mama 3 weeks from now don't worry touya.

Mama..... Okay bye.

Ndakakata foni ndichibva ndatarisa Angel kwakuti.

Me ..... Angel please woke up for me.

Ndakabva ndatanga kumupurudzira. Ndidzo nguva dzakapinda Joel.

Joel..... Anoda kumbozorora enda unoona Daniel tibve taenda.


Me.... Okay

Ndakasimuka ndikanoona Daniel tichibva tapinda muroad kuenda mutown on way ndaibvunza kuti
makombi anokwirirwepi. Nemadirections ekuchipatara uchifamba nekombi. Akandiudza tichibva
tazoenda pane imwe restaurant akatenga chikafu tikadya. Tichibva taenda kumba. Tichizvika kumba
ndakatambarwa naJoyful.

Joyful..... Sisi thanks, thank you so much for helping me.

Joel smiled Ini ndakangoti it's okay.

Joel..... Learn to clean like her Joyful makore anoteera unenge waroorwa no one will clean for you.

Joyful .... I hope she will teach me.


Joel..... Please ( aive anditarisa)

Me..... Okay.

Takapinda mumba takawana Mai Jo vachichema, baba Jo vakagara padivi vachivanyararidza.

Baba Jo ...... Waroverei mukadzi wangu

Joel..... Mukadzi wenyu kana asingade kurohwa neni ngaazive malimits ake or else anoenda
kunogara kumusha thus final. Goodnight.

Ndaive ndatove padoor remumba matairara. Ndakapinda ndichibva ndatora hembe dzangu ndave
kuenda kunogeza. Ndapedza ndakauya ndikarara. Pasina nguva akapinda Joyful achibva arara padivi
neni. Hope hadzina kumbononoka kubata. Mangwana acho ndakamukirana naJoyful ndichibva
ndawaridza bed kwakutsvaira tsvaira. Ndichibva ndanogeza. Ndapedza ndakachinja ndichibva
ndatora purse yangu kwakupinda munzira ndoenda kutown. Ndichingobata gate Mai Jo vakabva
vasvika.
Mai Jo...... Ndiro basa remahure kudya Mari dzevanhu.

Ndakarwadziwa nemashoko avo ndichibva ndavatarisa.

Me.... Woman mind your language please kunyarara doesn't mean that handigone kutaura asi I
respect you. Kuti ndirambe ndichikupai respect you better change otherwise you will see the other
side of me. I am even worse than Joel. And for your own information Joel handimude and handife
ndakamuda, Good day.

Voice..... Why usingandide.

Hana yangu yakarova that was Joel ndakaita kutsinzinya maziso ndichishaya mhinduro. After some
minutes ndakabva ndavhura gate ndave kuenda. Ndichingoisa gumbo panze akabva andibata ruoko.
Hana yangu yakatanga kurova nekuti mhinduro ndaive ndisina asi chandaiziva ndechekuti
ndaisamuda. Akaramba akabata ruoko rwangu zvekuti I was forced kutendeuka kuti ndimutarise.
Ndakarohwa nehana ndichiona akangopfeka short Chete. Ndakangotarisa pachifuva pake ka1
ndichibva ndatsikitsira. Ndaive ndisina kumboona munhu rume asina hembe kubva ndichi zvarwa.
Aona ndatsikitsira akabva andibata chirebvu kwakuchisimudza kuti ndimutarise but Ini ndainyara
ndakabva ndatarisa kuside.
Joel...... Wafungepi.

Me..... Kuchipatara

Joel..... Uchindisiya.

Me.... Am sorry I have to go. Ndakaita wekuvhizura ndichibva ndafamba ndichibuda. Iye
akangotendeuka achibva adzokera mumba. Ndaingonzwa kakubatikana so mumoyo mangu.
Ndakutosvika paroad yemakombi akasvika Joel achibva amisa mota yake.

Joel..... Let's go we are behind time. Ndakaramba ndichifambisa kusvika apaka akauya akandibata
ruoko. Ndaizama kuvhisa but ndakazorega ati.

Joel..... Ukaramba uchiita zvauri kuita ndokusimudza hona vangu vakakutarisa.


Ndakabva ndati.......

End of chapter (2020)

Continuation of uncomfortable feeling..

Ndakabva ndangoti it's okay. Zvekusimunzwa nemunhu rume ndaive ndaisati ndambozviita, so
ndakapinda mumota achibva aimutsa akananga kuchipatara. Takasvika Joel akapinda mukati Ini
ndakambosara ndakagara. Pasina nguva akadzoka achitaura zvakandifadza.

Joel..... Ukudiwa naDaniel.


Moziva ndakafara kuita sendahwina lotto. Ndakabva ndikamhanya kwaaive. Ndakasvika
ndichimumbundira achibva anyemwerera.

Me..... Daniel waida kundirwadzisa tese naAngel.

Daniel..... Sorry dear but am back.

Me..... Makunzwa sei

Daniel..... Better wena kunzwa kuti ndave bhoo ronda chete.

Me..... Zvopira.

Daniel..... Thank you for loving us Cee.


Me..... Thus my responsibility Daniel.

Me.... Okay.

Daniel..... How is Angel

Me..... she is fine. Joel did a great job.

He smiled achibva ambotirarei ndidzo nguva dzandakabuda ndichinoona ndi Angel. She was okay
zvake. After that ndakanogara panze. Paisaonekwa.
Manheru ndakangonokwira kombi kwakuenda kumba. Ndakasvika nekuenda kunorara ndaisada zve
vanhu ndaisada. Joyful akauya achibva agara padivi neni. Achiita zvemabook ake. Pasina nguva Joel.
Akabva apindao. Akasvika akamira padoor.

Me.... Maswerasei.

Haana kudaira zvandaive ndabvunza akatopindura zvimwe.

Joel..... Joy can you please excuse us.

Ndakabva ndamubata ruoko.

Joyful...... Ndiregedzei sisi.

Ndakaramba ndakanyarara. Joel achibva apinda akagara pabed. Akazama kubvisa ruoko kwangu
Pana joyful but ndandakabata.
Joel..... Wandivengereiko Cee.

Me.... Handina kukuvengai.

Joel..... Okay wanditizirei.

Me.... Ndakushayai.

Joel..... Okay Daniel anga achida kutaura newe.

Ndakabva ndaregedza joyful ndichimuka ndichimutarisa. Joyful akabva afamba achibuda. Joel
akabva andibata ruoko kwakunditarisa.
Joel..... Yes anga achida kutaura newe so if you are free let's go.

Handina kupindura ndakangosimuka kwakupfeka juzi tichibva tatobuda. Tichipinda mudinning


ndakawana Ruth akamira achitambisa gumbo zvehasha. Tave kudarika akabva abata Joel ruoko.

Ruth..... Ukuendepi this time

Joel.... Handisi mwana wako ndisiye.

Ndakabva ndafamba ndichienda ndichisiya vachinetsana ndichisvika panze ndakasangana namai Jo.

Mai Jo.... Dzokera mumba hauna kwaunoenda nemwana wangu.


Ndisati ndapindura Joel akabva asvika akandibata ruoko. Ndakaramba ndakamira ndichishaya kuti
ndoenda here kana kuti. Akabva afamba achiuya kumashure kwangu akabva andisimudza. Simba
rekumubvisa ndakarishaya akabva atotanga kufamba neni tichienda kumota akasvika akandiisa
mumota achibva atenderera kuti azogara. Ndakafano vhara maziso nekuti ndainyara. Akapinda
akamutsa mota tave kuenda. Akabva ananga pa hotel

Me..... Tikuendepi.

Joel ...... Une nzara.

Ndakabva ndanyarara. Takasvika akatenga chikafu tichibva taenda kuchipatara. Takawana Daniel
akagara kuroom kwaAngel. Akamubata ruoko.

Me..... Daniel.

Daniel...... Hi perfect couple.


Ndakabva ndatochinja mood ivo vakatanga kuseka.

Daniel.... am joking dear

Me..... Urisei.

Ndakafamba ndichienda paive naAngel ndikamubata ruoko.

Mee..... I miss you baby girl woke up.

Joel..... Very soon don't worry.

I smiled

Daniel..... Can you please call my mom. Ubvunze kuti vana Angel aripi you want to talk to her.
Me..... Why

Daniel.... Dakuziva zvirikuitika I hope she will tell you.

Ndakatambidzwa foni ndichibva ndafonera Mai Daniel.

Me.... Hello mama

Mom' D....... mushe makadii ndiani.

Me..... Cynthia mom. Ko foni yaAngel haisikuita why.


Mom'D...... Ko neweo I thought ariikoko. Ndandichida kutozimuka nhasi kuzokuttsvaga kuZaka
ndichiti ndokuna Angel ka.

Me..... Haako uyo ko Daniel aripi foni yake haisi kuita.

Voice..... Ndipe nditaure Naye anoziva kwaari hatidi zvekugadzikwa kuno isu.

Vaive mbuya.

Mbuya..... Varipi vazukuru vangu iwe.

Me..... Zuva randakapedzesera kutaura naDaniel aiti Angel akabaiwa injection rine poison naFamily
doctor wenyu...
Mbuya.... Poison aaaaa poison.... Poison...... AAA wakanzwa mushe here iwe aaaa saka I hope
Havana kuenda kumapurisa.

Mom'D...... vachiregerei kana vasina ndave kutoenda

Mbuya..... Regera muroora pamwe vakatoenda plus zvinhu zvemhuri zvingagadzirwe nemapurisa
here. Iwe muzukuru arikutaura uripi.

Me.... Gokwe kumusha kwamai.

Mbuya..... Wotombogara ikoko. Isu toenda kumapurisa usaende hako tinoenda.

Handina kupindura ndakabva ndakata.


Daniel..... She knows right.

Joel..... Yes, Cee akumbira kuti tiite DNA test

Daniel..... Good Idea itai.

Joel..... Not now kana Amuka. Ati simbei.

Takagara tichiita nyaya nguva diki vakafona zvekare mom.

Me..... Hello.

Bamukuru..... Eee mwanangu une number dza Doctor waDaniel here.


Me..... Handimuzive Ini.

Bamukuru.... Okay bye. Ndakatsveta foni pasi. Yaive paloud speak so tese taive tatarisana tisina
remumuromo ndipo patakanzwa.

Mbuya..... Zvakuda kutomutsa izvi mwanangu.

Bamukuru.... Yaa haaa iiiiiii handina kukata foni.

Yakabva yatokata. Tese takangotura mafemo pasina ataura.

Joel.... Long journey my friend zvakutoda kumira semurume


Danny.... Ma1. Saka ndodii.

Me.... DNA ndorichatiudza way forward.

Takazochinja nyaya tave kutaurao zvimwe. Kuma 11 usiku ndipo patakabuda tave kuenda kumba......

End of chapter (2020)

8
Continuation of

*Uncomfortable Feeling*.

Munzira kuenda kumba hapana aitaura neumwe. Tichingosvika ndakavhura door ndichida kuburuka
achibva andibata.

Joel..... Sorry nekukusimudza kwandaita.

I nodded.

Joel.... Usandisiyewo mangwana

I nodded again
Ndakabva ndaburuka ndika pinda mumba iye akasara akagara mumota. Ndakabva ndananga mumba
matairara. Ndakawana Joyful akagara achiverenga. Pandakapinda akandibvunza mubvunzo
wakandishamisa.

Joyful..... Sisi Cee modanana naMukoma Jo here?

Ndakaramba ndakamutarisa ndichitoshaya kuti zviri kubva nepi.

Me..... No

Joyful.... Okay

akabva adzokera pamabhuku ake asina kumbondi mhoresa. Ini ndakango pinda mumachira
ndichibva ndarara. Mangwana acho ndini ndakatanga kumuka yaive weekend so Joyful aisaenda
kuchikoro, ndakatora hembe dzangu ndichibva ndaisa mubucket kwakunotora surf mukitchen
ndichibva ndaenda kuseri kunowacha. Ndichangotanga kuwacha vakauya Mai Jo.

Mai Jo... Isurf yangu ka iyi.

Ndakaramba ndakanyarara vachibva vandibaya baya musoro.


Mai Jo..... Ndikutaura newe ndati isurf yangu ka iyi.

Ndakaramba ndakanyarara zvekare. Ndakavarairwa vakanokora surf vachibva vandikusha mumaziso.


Ndakabva ndascreamer on top of my voice.

Mai Jo ..... Kasira kunyarara unoda kumutsa vana vangu kuti zvidii ndokudira imwe.

Handina kunyarara asi ndairwa nekutsikinya maziso nekugeza but zvaitowedzera, ndakazongonzwa.

Joel.... Mama

Ndakasvinura neziso 1 kwakuona vakabata imwe surf, ndakavhunduka. Ndakabva ndanzwa surf iya
kurwadza mumaziso. Joel akasvika akatanga kundigeza ndokubva aona zvichiwedzera. Akanditakura
kwakunondiisa mumota achibva aimutsa. Munguva diki taive tasvika kusurgery kwake. Akabva
andiisa mushonga kumaziso. Ndakanzwa kurwadza kuya kuchiita kushoma zvishoma nezvishoma
kusvika ndabatwa nehope.
Ndakapepuka Joel naDaniel vakagara. padivi pangu.

Daniel..... Ndeip

Me.... Zvirisei.

Joel... Waakunzwa sei.

Me..... Ndave bhoo.

Daniel..... Don't worry, am organizing a room somewhere for you.


Joel..... Ndichimujaidzirei mukadzi uya. Hazvizogume pana Cee chete. Ko ndikazoenda nemusikana
wangu.

Paakati musikana wangu, I felt jealous. Ndichibva ndakamira kuzvibvisa coz ndakango zvibvunza kuti
ko ndinoitirei jealous nemunhu wandisingade.

Daniel..... Chibaba mokuvadzisa munhu.

Joel.... No and never mira uone. Am Joel shaa.

Vakabva vaseka.

Joel.... Pamwe in 2 weeks time, Angel anenge amuka. So iwewe unobuda muno kuswera mangwana
tinofanira kuenda kumba ikoko tese. So neka hunhu kavo ikako ma1. Ndikuda kufonera maid wangu
auye kuno because tsvina iri pamba paya ya yakaoma anogona kusvika mangwana. Ndiye acharara
naCee muimba ikurara Ruth iye Ruth anorara nehama dzake hameno ikoko.

Daniel.... Ukufungei naRuth.


Joel.... Akapona kana mwana ari wangu ndomutora handina maintenance yandobhadhara paya
mwana ndochengeta ndega.

Me..... Ko kungotora mukadzi wako.

Ndakakaruka ndataura but ndakazonzwa kakurwadziwa.

Joel.... Handina kumbodanana naye saka handifi ndakamuita mukadzi.

Me.... Asi wakamukecha.

Vese vakanditarisa
Joel..... Dai ndakamuda zvaiita Nani ndaitora coz ndendazvitsvagira.

Handina kuzotaura nekuti ndakaona kuti aisatoda kuti ndizive kuti mwana akapinda sei mudumbu
raRuth. Vakatanga kuita nyaya dzavo dzebusiness vakomana ini ndakangonyarara zvangu ko
ndaitaurei. Well kuma 1, Joel akabva ati handei.

Me ..... Handidi kuenda kumba kuya.

Joel.... Hande no-one will harm you ndiripo, I promise.

Ndakazongo simuka ndichibva ndaenda kumota. Takati tichibuda mutown takaona mota yaive
yakamira padivi peroad asi yaimover mover.

Joel.... Mumota umo ukati haasi munhu ari kurohwa iyeye rega ndimire tinotarisa, vanhu vanogona
kungourayana ka.
Takaburuka tichimhanya kuenda kumota kuya Joel akangosvika nekuvhura door tose tikatarisa
mukati. Ndakasira kudzosa maziso ndaona vari vanhu vaitoita mutambo wevakuru mumota imomo.
Ndakabva ndatofamba ndichibva pamota ndakazokatyamara ndanzwa kuti,

Joel..... Joyce, Joyce urikuitei nedhara, aaa baba Maka.

Ndakadzokera kumashure ndaona murume uya ave kutorohwa. Ndakanosvika nekubata Joel.

Joel..... Cee enda unodriver mota iyo tiende.

Andina kupikisa ndakangonopinda mumota tichibva taenda. Munguva diki taive tasvika pamba.

Joel..... Burukai tione.

Vakaburuka tichibva tapinda mumba.


Joel..... Joyce go and pack everything chinoti iwewe, urikuenda nemurume wako.

Joyce..... Ndonorogwa nemukadzi wacho.

Joel..... Heya unotozviziva zvako kuti variko Mai Maka. Ita fast ndiri kukupa 10 minutes.

Baba Jo...... Ko ndochiii chauri kuita

Joel.... Ngaakuudzei zvandamuwana achiita paroad.

Joyce..... Anonyepa uyu daddy.

Joel..... Kana ndichinyepa bhoo rongedza zvinhu zvako ubve pano


Joyce..... Ndoindepi.

Joel.... Izvo zvave zvako izvo.

Baba Jo..... Ko chii

Joel...... Ndawana vachirara vese muroad umo.

Joyce.... Ko iwe wakarara naRuth wani.

Joel.... ndine right yekuita zvandoda nekuti mari ndinayo ndozvishandira. Iwe ibva pano izvezvi or
ndokusimukira.
Ndakarwadziwa Joel achiti anoita zvaanoda nekuti anemari. Handina zvandakataura zvangu
ndakaramba ndakanyarara. Joyce akabuda achifambisa. Pasina nguva aive adzoka nebag. Ndidzo
nguva dzakapinda Ruth, Joyful namai Jo.

Mai Jo..... Ko iwe urikuendepi.

Baba Jo.... Hanzi ndamuwana achirara naBaba Maka muroad.

Mai Jo.... Washaya vakomana here iwe. Hwindi uya unomudii.

Joyce.... Vanga vachindirepa.

Joel..... Kana zvakadero ipolice case enda kumapurisa.


Baba Maka..... Inhema dzake ndinawo maSMS aanga achinditi ndiuye ndirare naye.

Joel..... Chibudai mumba mangu.

Ba Maka..... Handina kwandoenda newe shaa mukadzi wangu unomuziva.

Joel..... Endai mese kana uchinomusiya mutown ndizvozvo.

Mai Jo.... Mwana wangu haana kwaari kuenda.

Joel.... Imi ibvai manyarara murikubvawo pano kuenda kumusha nhasi naRuth wenyu.
Ba Jo.... Ko mukadzi wangu adii. Zvaunoita handi zvide Joel, yes tikugara pamba pako asi respect us.

Joel..... Kubva zvamakagara pano makamboona ndichinetsana nemi here. Iyeyu mukadzi wenyu uyu
ndiye benzi ngaabve pano achauya kana taenda. Anga adira munhu surf, ko akafa maziso.

Baba Jo.... Surf, Mai Jo watanga zvako zveutsinye ndizvo.

Mai Jo..... Inhema.

Joel.... Chero dziri nhema ibvai tione.

Mai Jo .... Handina kwandoe.....


Joel.... Handidi kusimuka pano.

I wonder kuti Joel aimborova zvakadii aityiwa kudero. Vakasimuka vakanotora hembe vese naRuth
vakadzoka vave kuenda.

Mai Jo.... Iwe Ruth, I hope uri kuenda kumba kwenyu nekuti kumusha kunodana zita rangu not
raJoel.

Ruth.... Aaaa ndinoenda nemi.

Mai Jo.... Kupi. Ndidzikamire wanzwaka. Joel sara nemunhu wako hakuna kwaanoenda neni.

Joel akabva ati.......


End of chapter (2020)

Continuation of *Uncomfortable Feeling..*

Joel..... Enda nebag rako mumba Ruth.

Mai Jo.... Hoo saka inini ndini ndinodzingwa pano.

Joel.... Muchagara kana mave kugona kugara nevaenzi mushe.

Vakabva vafutisa matama kwakunditarisa vachitora bag ravo vavakuenda. Ndakasara ndikapinda
mumba ndichirara, Joyful akauya haana kana kumbondi mhoresa. Kumanheru Joel akabuda
akanotora aunty vaive vabva Harare ndaivaziva zvangu nekuti ndakamboenda kumba kwaJoel.
Manheru vakabika tikadya tese. Tapedza Joel akabva ati,
Joel..... Aunty mangwana mucharatidzwa room yairara Joyce then moigadzira nekuwacha machira
zvinhu zvake zvirimo mozviisa kucottage uko. Muroom imomo mucharara imi naCee, muzviite
mangwana. Ndichakupai mamwe machira.

Aunty.... Ehoi

Tese takaparadzana tave kuenda kunorara. Ndichingopinda mumachira ndakashamisika kunzwa


Joyful achiti,

Joyful.... Mukufaraka mai vangu nasisi vangu vadzingwa pano.

Handina kupindura ndakaramba ndakanyarara. Mangwana acho ndakamuka nekugedza


ndikapedzisa kuwacha hembe. Ndapedza ndakabva ndapfeka kwakuenda musitting ndave kudà
kubuda zvangu kuti ndiende kuchipatara ndikabva ndasangana naJoel,

Joel..... Mafungepi.

Me..... Kuchipatara.
Joel...... Mira ndipfeke ndikuperekedze.

Ruth.... Asi ane nhumbu yako futi waunongoti nanga nanga naye.

Joel.... Haana nhumbu asi ane respect, ane rudo, ane tsika nehunhu, anoziva Mwari, anotya kutadza
and above all, akanaka.

Ruth akangoridza tsamwa achibva abuda. Pasina nguva Joyful akauya achibva asvika akamirira Joel
aive aienda kunochinja. Pasina nguva Joel akadzoka achibva agara achisunga bhutsu dzake..

Joyful..... Ndikuda mari yekugerwa musoro.

Joel..... Ukuda here kana kuti uri kukumbira.


Akaramba akanyarara.

Joel.... Ini mukada kutodza hunhu hwamai venyu mese modzokera kumusha uye hapana
chandinoluza ini. Mari yangu ndinayo saka forget zvekuti ndinonyanya kuda vanhu stereki. Hama
dzamai vangu dziriko dzinotogara kumusha dzandogona kuunza pano nhasi chaiye ndisingazofe
ndakatumira kana chipeneti kumusha ikoko. Mozvionera Ini zve vanhu vanoita sekuti iright yangu
kuvachengeta ndizvo zvandisingade. Ibva pano, kana wakugona kutaura wozodzoka.

Me..... Iiii Joel zvimwe waakuzvinyanya. Ooh hako Joyful.

Yakabvutwa Mari iya.

Joel.... Ndoziva zvandiri kuita Cee. Uyu ndiye munhu aive necharacter yakanaka kudarika chero
yangu ndichida kutozogara naye kuHarare kana ave kuenda form 5 but nezvaakuita izvi haafe
akabata 10 cents yangu ini.

Joyful.... Sorry mukoma.


Joel..... Enda umbononamatira demon rakuda kukuvhiringira upenyu iro and for sure
rinokuvhiringira. Hande Cee.

Tichingovhura gate tave kuenda Joyful akabva abudawo achichema zvaitonzwikwa. Takanopinda
mumota tave kuenda. Joel ndaive ndamutsamwira ndakabva ndangogara ndakanyarara.

Joel.... Tsamwa hako but it's for the best am trying to control her kuti asaite samai kana sisi vake..

Me.... Is she your biological mother.

Joel.... No

Me.... That's why.


Joel..... Problem vanhu munongoterera 1 side of the story mave kutoti ndicho chokwadi.

Me.... Tell me the story.

Joel..... Uchaziva zvako but handide munhu anotsamwira nyaya isiri yake.

Me.... Okay, but mwana ukumunyanyira.

Joel..... Sorry mai Mangovi.

Ndiyo yaive surname yake ndakangobata muromo achibva aseka. Takafamba tikapinda mutown
tichibva tananga mushop ye hembe.
Me..... Tauya kuzoitei kuno?

Joel..... Kuzoita shopping.

Ndakabva ndanyarara akatanga kunhonga zvinhu zvechikadzi zvaidhura.

Joel.... Unofarira kupfekei?

Me.... Handidi kutengerwa ini.

Joel..... I know but maybe unoda zvinhu zvinodikanwa nemusikana wangu.

Me..... Madress.
Akatanga kutenga apedza takapinda mumota achibva aisa zvinhu zviya pamakumbo.

Joel..... ndezvako izvi

Ndakamutarisa achibva asekerera.

Me.... Wati ndezve musikana wako wani.

Joel..... Musikana wangu ... Handina musikana ini ndandichitamba ndezvako dai ndakuudza kuti
ndezvako waizviramba.

Pakapera 2 weeks Daniel achiramba kubva kuchipatara hanzi ndoda kugara pedo naAngel. Angel
aive asati amuka zvinova zvinhu zvaindi shungurudza. Joyful aive ave kutaura neni zvishoma. Joyce
ainzi aive akamudzinga nemurume akaenda kumusha kwaive namai vake. Ivo Mai vaisataura nesu.
Rimwe zuva ndaive ndisina kuenda kuchipatara Joel aive asipo. Ndakanga ndakarara tapedza kuita
basa naAunty, Mom vakabva vandifonera:

Me.... Hello mama

Chris.... Hesy mupfana

Me...... Hi Chris wakauya riini.

Chris..... In ndokufunga nguva dzese zve iwe haundifunge. Ndichangosvika ndichiri pamashops
izvezvi ndati ndichingosvika ndikati regai ndifone muvengi wangu.

Me..... Hiiii nhai iwe ndokuda asi kungoti ndaive ndakawandirwa shaa, Angel arikurwara.
Chris..... I understand mufana, arisei iye zvino.

Me..... Akuita nani wena, wandiigirei?

Asati apindura Joyful akapinda achimhanya.

Joyful.... Sisi, maiguru varikurwadziwa.

Me..... Okay, Chris ndokufonera soon pane zvirikuitika.

Ndakakata foni ndichibva ndapfeka mapush kwakumhanya ndichienda kwaive naRuth. Ndakasvika
akagara pasi achiita kuridza mhere.
Me.... Chii

Ruth.... Maiwee, handizive ini ndarwadziwa.

Me.... Okay Joyful vabate tiende kumota.

Takabatsirana kuvabata tichibva taenda kumota. Takavaisa mumota tichibva tatsvaga makey,
ndakamutsa mota tave kuenda kuchipatara.

Ndaive ndisina kumbowana nguva yekufonera Joel, So pandakapinda munzira hombe yekuenda
kutown ndakabva ndamufonera ndichibva ndaisa foni paloud.

Me....uripi.

Joel..... Ko kumboti maswera sei daddy


Me..... Chimbomira izvozvo ndakakuudza kuti andizvide. Uripi, Ruth arikurwadziwa nenhumbu.

Joel...... Nhumbu ? ( akabva atanga kuseka) gore rino ndichaonerera. Huyai naye kusurgery
ndokwandiri.

Ndakafambisa mota munguva diki ndaive ndasvika. Ndakabva ndaburuka kwakuvhura door.

Ruth..... Handidi kuponera pano ndiendesei kuchipatara chikuru.

Ndakasvotwa moziva achiramba kubuda mumota. Ndakabva ndaenda kunodeedza Joel akauya
nanurse achibva aiswa pabed.

Joel..... Yasvikaka nhumbu.


Akataura achiseka zvine kakunyomba mukati.

Me..... Chimbomira izvozvo Joel, akurwadziwa.

Joel.... Ko ini ndinei nazvo zvekurwadziwa kwake.

Ndakangomutarisa achibva aseka zvake. Takapinda muchipatara ndikaenda kwaive kuna Angel.
Ndakasvika akarara as always. Ndichangoti garei, akadzoka Joel achibaya baya foni uku achiseka.
Foni iya yakabva yatanga kurira iripaloud.

Mai Jo.... Hello

Joel.... Eeeee Mai Jo huyai mutore munhu wenyu kuno apona mwana musikana.

Vakaramba vakanyarara.
Joel..... Bye, I hope mazvinzwa. Cee hande unoona mwana.

Ndakasimuka paya kwakuenda ndokusvika Joyful achipopotera Ruth....

End of chapter (2020)

TEN (10)

Continuation of uncomfortable feeling..

Joyful aipopota apa misodzi iri pamatama.

Joyful..... Uri hure remunhu Ruth, wakauya ukadzingisa mai vangu pamba vachiti variku protector
muroora wavo. Ruth uri muroyi anoroya masikati. Wakaita kuti ndivenge munhu anodiwa
namukoma vangu nekuda kwenhema dzako.
Me.... Ko chii?

Joyful..... Tarisai mwana uyo.

Ndakafamba ndichienda paive nemwana uya. Ndakarohwa nehana ndichimutarisa, aive muChina
asina kana mubvunzo. Vhudzi raitonyatsoonekwa kuti mwana uyu muChina. Itwo tuma ziso twacho
waisa mbobvunza, apa akachena kuita muchina chaiye. Ndakatarisa Joel achibva aseka zvake zviya.

Joel..... Chero dai ndakuudza zvakaitika waisambo zvibvuma, chirega ndichikuudza. Pabirthday rangu
muna July ndakaita party kunoku then mom vachibva vadeedza Ruth. Vakaronga zvavakarongana
vachibva vandipa drink raive netablet rakandiita kuti ndirare. Ndarara Ruth akauya muroom mangu
akandibvisa hembe achibva abvisa dzake kwakurara padivi. Ndakamuka ndine confusion iye achibva
atanga kuchema achiti wakarara neni. Ndakaita benzi chairo ndichibva ndamupa mari akaenda. Ini
ndakabva ndaenda kuHarare. Ndiriko ndakafonerwa namom vachiti Ruth auya ati ane nhumbu.
Ndakavati agare vakatanga kuti huya uzotora mukadzi wako. Handina kumboenda ndakatodzima
foni kwakuzouya tese iye zvino. Vaizama nepavanogona napo kuti Ruth aite mukadzi wangu asi ini
handiite zvevakadzi izvi. Izvezvi hona mwana wacho. Ruth mutema ini ndiri mutema handinga
mbozvare muChinise ka.

Me..... Inga pakaipa.


Daniel..... Makura chibaba .

Vakabva vaseka vese. Ini ndaitoshaya chaisekesa.

Joel...... Nurse nyorerai ambuya ava bill ravo.

Me .... Iiiii Joel, unoti anoiwanepi mari.

Joel..... MaChina ndoane Mari yese muno.

Me..... Iiiiiii
Daniel..... Usanzwe tsitsi shaa ibenzi iri.

Me..... Iiiii

Joel..... Oooo

Daniel.... Uuuuu

Vakaseka vakomana vachibuda, ini ndakagara ndakamira ndakatarisa Ruth aive ave kutonzwisa tsitsi.
Joyful akauya pandaive achibva andimbundira, ndidzo nguva dzakapinda Joel.

Joel.... Girls, handei kumba tinotora zvinhu zvaRuth timuigire.

Me..... Joel zvatosvika ikoko here shaa.


Joel..... Yes Mai Mangovi handei.

Me..... Handiride Zita iroro.

Joel.... But rakakufita.

Ndakaridza katsamwa achibva atanga kuseka. Joel aive munhu wekungoseka nguva dzese. Ainditi
Mai Mangovi but aive asina kumbondinyenga chaaingoita kuadmire zvinhu zvese zvandoita dzimwe
nguva ndainzwa kumuda. Ndaibva ndakasira kudzima pfungwa iya ndotanga kufunga zvimwe. Joel
aisave mukomana anoshoreka. Aive smart achifara nguva dzese, ndaive ndave kumufarira. Takabuda
tave kuenda kumba ini ndaive ndakanyarara. Ndakagara kumasure naJoy then Joel aina Daniel
kumberi vachiita nyaya dzavo.

Takasvika kumba tikaburuka tese Aunty vachibva vanzi naJoel "rongedza hembe dzaRuth betseranai
naJoyful"
Me..... Saka watoshinga here nhai Joel

Joel..... Yes.

Ndakabva ndatanga kufamba ndichibva musitting ndichienda kuroom yandairara. Joel akasimuka
achibva ateera ndaimunzwa zvangu achiuya. Misodzi yangu yakatanga kuuya asi chandaichema
chaicho ndaichishaya. Ndakasvika ndikarara pabed ndakutochema zvekubudisa voice, akabva
andimutsa achibva atanga kundiseka, achibva ati "ukuchemei." Kutaura chokwadi ndaisaziva
chandaichema. Akabva atanga kundipuruzira kumusana achiti " chinyayaya nhanha, chinyayaya
nhanha"

Daniel akabva apinda akatanga kuseka. Ndakakasira kusimuka ndichibuda, ndakamira padoor
ndichida kunzwa zvaizotaurwa naDaniel. Akabva ati " ko chingokanda shoko zve nhai"

Joel...... Handidi anondiramba.

Daniel..... Ungatya kurambwa anongozobvuma.


Joel..... Handidi izvozvo ini ndoda kudiwa nekutopiwa makumbo 1 day. Very soon anenge anyura
murudo kkkkkkk.

Daniel..... Usadero mwana shaa.

Joel...... Akura uyu unoti ndoita sewe here handizvigone zvekuita gore rese ndichipfimba munhu plus
ndakura ndave kudà mwana ini. By end of January ndofana kunge ndatove nemukadzi.

Hana yangu yakarova ndichibva ndapukuta misodzi.

Daniel..... Anoda kumboenda kuchikoro nekugadzirirawo brother yake life.


Joel..... Ndakangomirira, kanganwa shaa ndakura ini.

Ndakabva paya ndichifambisa ndichienda kuseri kweimba. Ndakanogara ndave kufunga nhamo
dzangu ikoko. Ini ndaida kuita zvechikoro ndipedze Chris agodzidzawo. Ndaizodii nhaimi kana
ndaroorwa, ko mama vaizondiona semunhu akadii. Ko Chris wandakatenderana naye kuti
ndaizomirira atange adzidzawo nhaimi. Ndakanzwa misodzi kuuya ndakazviudza kuti
ndaisazosekerera Joel zvekare. Ndaisada zvinhu zvino vhiringa life yangu. Ndikatanga kufunga zve
kuti Mai vaive vati vanoda kutaura nesu pachristmas so ndaifanira kuzobva pamba musi wechipiri
nekuti Christmas yaizoita chishanu. Ndaive ndasuwa Chris veduwe. Ndichifunga kudaro ndakanzwa
munhu aindideedza " Cynthia" ndakaramba ndakanyarara ndanzwa kuti ndiJoel, ndakabva
ndasimuka kwakutenderera ndikanopinda musitting maive naDaniel achibva ati" urikutsvagwa
naJoel rega ndimudeedze" akasimuka akabuda, ndidzo nguva dzakapinda aunty naJoyful. Joel
naDaniel vakadzoka vachiti tichienda kuchipatara. Ndakango simuka kwakutora shangu dzangu tave
kuenda, hatina kutora nguva taive tasvika pachipatara takatambirwa nemashoko aisiririsa. Nurse
akasvika achiti " Ruth atiza muchipatara asiya mwana"

Joel..... Kutiza, how.

Nurse..... Tangoona asisimo.

Joel..... Don't worry tomuwana tikamushaya kanoenda kuorphanage.


Ndaida kupindura asi ndakazvidzora. Mabag aya akaiswa muroom maichengeterwa zvinhu zve ipapo
pasurgery. Mai vaJo vakafonerwa vakasadaira. Joel akabva atofona kuorphanage vakati vaizomutora.

Takadzokera zvedu kumba pasina aitaura neumwe. Yaive Sunday ini ndichida kusimuka chipiri. Tiri
munzira ndaingonzwa kufara kuti ndave kunoona mwana wamai vangu.

..Joel..

Joel Mangovi ndiro Zita rangu, ndine makore 28 ekuberekwa. Baba vangu namai vangu vakaroorana
zvakanaka baba mazuva acho vaidriver magonyeti. Ndakazvarwa ndirini dangwe ndikakura kusvika
pa 10yrs baba ndipo pavakatanga kuita zvechipfambi. Vaidanana namai varipo ava, mai vangu
vaigara vakashungurudzika vachichema asi baba vaisave nebasa nazvo.

Vanhu vakuru vanogona kufunga kuti kana mwana achine 10 yrs haaone zvinenge zvichiitika asi ini
ndakatozviona uye zvaindirwadza ndisina zvekuita. Mai vachiti vakafonera baba vaidairwa namai Joy,
mai vangu vaive munhu akanyarara saka vaingozosiyana nazvo. Baba vaiti vakauya vaita off, vaiuya
namai Joy vosvika voradzika mai vangu neni pasi ivo vorara pamubhedha namai Joy. Usiku hwese
mai vangu vairara vachichema. Ini ndainyepedzera kunge ndaive ndakarara kuti vasanyanye
kushungurudzika. Yes mazuva acho taishandisa 1 room kuRujeko C muMasvingo. Zvakaramba
zvichiitika baba vaive vasisatenge chinhu kana kubhadhara mari yangu yechikoro. Mai vangu
vaishinga kuti ndidzidze zvakaoma kudero.

Mai vakazorwara, yakatanga iri BP vachibva vazonzi moyo wavo wakaresveka. Ndakafonera baba
ndichida mari yekwadoctor asi mai Joy vakanyatsoti " uri kuti kanganisa kufara kana vachida kufa
ngavafe ndingatofare" ndakachema asi hazvina kubatsira kumusha kwamai vanhu vacho vaive
varombo vekupedzesera chero huku chaiyo kwaive kusina. Mai vakarwara vakasvika pakufa.
Ndakafonera baba havana kuuya. Vanhu vemuraini ndivo vakazobatanidza mari kuti mai vagone
kuchengetwa. Ini ndakabva ndatanga kugara nambuya nasekuru hapana kutora 2 months mbuya
vakabva vafawo. Ndipo pandakachizoona nhamo, sekuru vaingomukira kudoro apa pamba pasina
chekudya kana chekubika vamwe vana vavo vaive kuSA but Joni yacho inenge yaingove yezita nekuti
hapana chisvinu chandaiona chaiuyiwa nacho. Ndakaonda ndikaita kwashi, ndipo pandakatumira
baba tsamba yaive yakanzi makandi zvarirei kana maisandida. Havanawo kumboita mazuva vakabva
vauya kuzonditora. Ndakanogara namai Joy kumusha. Vaive vatove naJoyce mazuva acho.

Chandaiwana pamba pavo chikafu chete, zvimwe zvese ndaizvionera kubva pakupfeka nechikoro.
Semunhu aive akangwara ndakatanga kurima muriwo ndichitengesa. Ndairimira kugarden
kwasabhuku nekuti tainzwanana ndivo vaindipa mazano ehupenyu saka mai Joy vaisatora muriwo
kana kutengesa.

Mari yemuriwo yakandipinza chikoro kubva grade 5 kusvika form 6. Ini ndaigona chikoro
zvaizivikanwa uye ndaingove naturally intelligent. Ndapedza form 6 ndakaita luck ndikawana
scholarship ndikaenda kuChina. Pandakadzoka ndakasvika ndichishanda saNurse paParirenyatwa
hospital muHarare. Ndipo pandakazosangana naDaniel tikaita mafriends.
Daniel akandibetsera kuvhura Surgery muHarare. Zvinhu zvese zvikafamba kusvika ndatove ne 2
masurgery ndipo pandakatenga imba muGweru ndikati baba vagare nemhuri yavo. Hongu vaive
vakakanganisa but ndakangozviudza kuti ndibaba.

Upenyu hwangu hwaive hwachinja zvinofadza. Ndakazofarawo nekuwana munhu wandaida nemoyo
wese Cee, yes vasikana ndaive ndakamboita asi

Cynthia ndaive ndamuda nemoto wese. Ndaive ndamirira kumuka kwa Angel kuti ndizomuudza.

Monday makuseni, ndakamuka ndichigadzirira kuenda kuchipatara kuti ndigodzoka ndichitengera


Cee zvaaida sezvo aive ati aizoenda kumba chipiri.

Ndakazopinda mutown ndikatenga zvandaifunga kuti zvaidikanwa naCee. Chipiri akarongedza


zvinhu zvake mumota tichibva tasimuka tonanga kuchipatara. Takasvika tikaona Cee tichibva
tatosimuka tave kuperekedza Cee. Taizoenda tese naDaniel saka akangopfeka dzimwe hembe
kwakupinda mumota toenda. Takanowana kombi yaive yatozara achibva apinda tikaparadzana.

Pataive tichangobva kuriya Cee ndakafonerwa naNurse achiita kufemereka.


Me..... Ko chii nhaiwe

Nurse..... Ndi Angel

Ndisati ndabvunza kuti adii yakabva yakata, ndakada kufona futi asi yakaenda straight ku voicemail,
ndakabva ndarohwa nehana ndikamutsa mota ndonanga ikoko.........

End of chapter (2020)

11

Continuation of uncomfortable feeling..

.. Daniel..
Zvekugamuchira rufu rwaAngel zvakandirambira. Angel ndaimuda kudarika vabereki vangu. Kubva
ndiri mudiki ndaimuda uye ndichimuchiva. Ndorangarira rimwe zuva ndiri grade 5 pamba pakauya
umwe mukadzi aive nemwana wake musikana vachitengesa hembe. Mukadzi uya akangotaura
mukutamba achiti " ndoda kuti uite mukwasha wangu" ndakanyatso vatarisa kwakutarisa mwana
wavo wacho wavaireva ndichibva ndaridza tsamwa. Mom ndivo vakabvunza kuti chii ndichibva
ndavati "ndoda mukadzi akaita saAngel" vanhu vakaseka vachiti pamwe ndaitamba asi ndaitorevesa
but panguva yacho kunyenga ndaive ndisati ndave kumbogona kumisa musikana. Ini ndakakura
ndakapata zvekuti ndaisambonyenga kana kuita nyaya dzevasikana nevamwe kuchikoro. Ndakazo
tanga kuchangamuka ndaakunzwa mafeelings pana Angel.

Ndakadzungaira ndafunga kuti Angel wekiss yaindipengesa hakusisina. Ndakafunga musi wemumota
tichibva kumusha kunoona gogo. Ndakafunga zvandainzwa ndiri pana Angel. Ndainzwa kutsva
mumuviri wangu wese. Ndakafamba ndikapinda maive naAngel ndakasvika ndikamubata
ndakarwadziwa ndaona asina kana kupfakanyika. Ndakarangarira kuti aive azvicheka mushure
mekunge andiona ndiina Yolanda. Misodzi yangu yakaerera ndikambotanga kunzwa dzungu.
Ndakafamba ndichienda kwaive neoffice yaJoel. Ndakasvika ndikamira padoor moyo wangu uchiita
kupisa. Ndaiona Angel akanditsamwira ndakavhura door ndichibva ndaenda patable ndikaibata
zvakasimba misodzi ichiyerera. Ndakasimudza musoro kwaku sanganidzana nebanga pamusoro
pekafridge kaivemo. Ndakaribata ndichibva ndati "Kana kuri kufa tinofa tese babe" ndakasimudza
banga mudenga ndikazvibaya zvine Simba. Ropa rakatanga kuita kunaya ndichibva ndapfugama pasi,
ropa harina kumira kubuda apa ndaiita ndichinzwa kupera simba. Ndakazongorara pasi panguva
iyoyo makabva mapinda nurse akascreemer akabuda achimhanya. Ndakabva ndavhara maziso
handina kuzoziva zvakaitika.

Luck randakaita nderekuti ndakazvibaya padumbu. Thanks to Joel my friend akamira neni panguva
yekutambudzika kwangu. Akasvika in time akandibatsira. Joel was a good friend, aive zvake munhu
ane hasha plus anoti zvandataura ndizvozvo but ainzwisisa manje.

Ndakaendeswa kuGweru ndiri murufu.


Cynthia haana kuda kusiya shamwari yake Angel.

Ndingangoti tese naAngel taive takakomborerwa nemashamwari akanaka. Cynthia was more like a
sister to us aive munhu ane rudo rwechokwadi chairwo aisa tarisa zvakawanda. Ndaive ndisati
ndamuitira chinhu kubva zvaakabatsira, Angel nekidney but ndaishuvira kubhadharira hanzvadzi
yake school fees yake yese, iyewo ndomubadharira fees yese nekumutengera imba. Ndaishuvira
kuzosangana ne hanzvadzi yake uye kuzomupawo mari atange business rake aite zveupenyu hwake.
Mai vavo ndivo vandaigara ndichida kuona nguva dzese asi ndichishaya mukana, kubudikidza
nezvaiitwa nemwana wavo ndaitoona kuti munhu akanaka, anodzidzisa zvakawanda wanda
zvinosanganisira kunamata chaiko. Mwana akakura asingaite zvekunamata anongoonekwa. Sesu
zvedu naAngel zvekunamata taitozviona taenda kuchurch musi wesunday Mai vangu zvekunamata
namata zvaisave mavari. Kana ndiriseni kuchurch kwacho ndaitotarisa vamwe vachinamata. Handisi
kuti Mai vangu vaisagona kuraira, yes kuraira vairaira zvakanyanyisa. Kana pari pabasa rese zvaro
taiita vaisatijaidza. Tsika, hunhu, respect taive nazvo vaitidzidzisa mai vedu.

Ndakazopepuka ndiri muchipatara, pakutanga ndakati pamwe ndiko kwaive kudenga kwacho nekuti
surgery ya Joel yaive yakanaka zvinoyemurika. Ndichiri mukutambudzika makapinda nurse,

Nurse..... Congratulations Mr Pirai.

I nodded ndichiri muconfusion.

Me...... Ndiripi
Nurse..... J PATIENCE priv hospital muGweru.

Nguva iyoyo ndakabva ndafunga kuti Angel aive afa misodzi yangu ikatanga kubuda.

Nurse..... What's wrong Sir?

Me..... Angel

Nurse...... She is fine.

Ndakaita sendisina kuzvinzwa ndikaramba ndakamutarisa.

Nurse..... You need to rest Sir.


Me..... No ndoda kuona Angel first.

Nurse.... Not now doctor is coming soon.

Akabva abuda nurse uya ndakabvisa zvitambo zvese zvandaive ndakaiswa ndichibva ndafamba
ndichitsvaga kwaaive. Nurse uya akazouya ndatove kumutsvaga, haana kuzoita nharo akabva
andiperekedza achiti "asi munonoita nguva diki totodzoka you have to rest" I nodded tikaenderera
mberi nekufamba akavhura maive naAngel ndikapinda. Ndakarwadziwa ndichiona zvaaive aive
akaiswa madrip nezvimwe zvandaisaziva. Ndakabata bed misodzi ikatanga kuyerera. Panguva yacho
hapana aikwanisa kunditsanangurira zvaive zvaitika. Nurse uya akauya akanditora achindidzosera
kwandaive ndabva ndakasvika nekurara marwadzo aive achiripo.

Akazouya Joel aina Cee ndakafara ndichivaona, Joel akandirondedzera zvaive zvaitika. Joel
akandiratidza kuti aive shamwari yechokwadi. Aive mukoma wandisina kumbobvira ndave naye
muupenyu hwangu. Akandiratidza rudo rwechokwadi. Ndakafara kuziva kuti Angel aive mupenyu.
Angel ndaimuda nemoyo wese ndaisa zogona kurarama asipo.

Ndakafara kuziva kuti vanhu vekumba kwedu vaive vasina kuziva kuti takafamba sei. Akagona ipapo
Joel nekuti nabamukuru vaya ka paitozoita nyaya. This time dzaisazova tendera kuita zvavanoda
neupenyu hwangu, nyaya dzavo ndaida kudzironda muchinyararire.
Vakazosvika Joel naCee vakafara vachindiona ndakagwinya. Rimwe zuva ndakatuma Cee kufona
kumba ndaida kuziva zvaitora nzvimbo. Ndakatobva ndatozivawo kuti pakati pabamukuru nambuya
paive nenyaya. Ndakangoti Mwari ndibatsirei, munamato wangu waive wekuti Angel achimuka.

Zuva rakabatsirwa Ruth ndakafara nekuti ini ndaive ndakamuvenga ndaisada kuti aite mukadzi
waJoel. Panguva yakabva vana Joel vachinotora hembe dza Ruth ndakasara ndikaenda maaive
ndikatanga kutaura naye " nhai Ruth ko muChina wakamuwanepi."

Ruth..... Pane pandaka mboda kutsvaga basa kumaChina saka muChina wacho akati ndikasarara naye
handiwane basa,

Me..... Inga pakaipa saka basa racho wakariwana here?

Ruth.... Handina aive ati month-end pakapera mwedzi ndipo pandakaziva zvenhumbu achibva
andipa mari kuti ndiibvise.
Me ..... Hoo waitoziva zvako kuti haisi yaJoel. Ko saka pawakarega kuibvisa wakadii kuenda
kumuChina.

Ruth.... Yes ndaizviziva Joel handina kumborara naye asi ndakango mubvisa hembe ndikarara padivi.
Nhumbu yakaramba kubva ndichibva ndaenda kubasa kwaaishanda ndikanzi akatodzokera kuChina.
Vamwe vacho vakati havazive kwaanobva kuChina kwacho, ndipo pandakanzi namai Jo huya uite
muroora wangu.

Me..... Iweka Joel achakugadzirisa chete mira uone.

Ruth.... Ndichamboenda kutoilet.

Kuenda kutoilet handina kuziva kuti ndiko kwaitove kutiza kwake. Mwana wacho akatozongoiswa
kuOrphanage zvake.

Mazuva akafamba kwakange kwasara vhiki imwe chete kuti zvikoro zvivhurwe. Rimwe zuva,
ndakangomukaa ndichifunga vabereki vangu ndakabva ndatofunga kufonera mom makuseni seni.
Foni yavo yakangorira kaviri ichibva yadairwa ndaive ndafona panumber dzamom uye ndaive
ndafona nenumber yangu yavaiziva. Vakadaira vachiti " mwanangu"
Me..... Mama makadii.

Daddy..... Hatifari mwanangu ko muripi.

Me..... Daddy pane zvakaitika ndichauya ndichikuudzai kana ndauya.

Mom ..... Angie aripi, arisei.

Me ..... Ari nani mom ari kuSA.

Daddy.... dzoka nemwana wangu..

Vakabva vatanga kupopota ini ndichibva ndakata ndaisatoda zvekutaura. Ndidzo nguva dzakasvika
Cee naAngel tichibva tabuda tave kuperekedza Cee aive ave kuenda kuMasvingo.
Takafamba zvakanaka, pakudzoka ndipo pakafona nurse achida kutaura nezvaAngel, foni yakabva
yakata achibva asenda sms yaiti "Angel a....."

Misodzi yangu yakaerera ndakatarisa sms iya Joel ndiye aitozama kundinyararidza asi misodzi yangu
haina kumira kubuda. Ndakatanga kazama kufonera Cee asi foni yake yakarambisisa. Apa kuti
tidzokere tinomuudza zvaive zvaitika zvaisaita nekuti kombi taive tasiya yatosimuka.........

End of chapter (2020)

12

*Continuation of uncomfortable feeling..*

..Cynthia..

Monday manheru, Joel akadzoka kubasa aine zvinhu zvakawanda zvaive zvakazadza mota zvakaiswa
musitting achibva ati "ndezvako Cynthia rongedza tobuda kuseni mangwana"
Me.... Handina kumboti ndoda kutengerwa newe.

Ndakataura ndakasunga kumeso ndichitoenda kunorara zvangu. Ndakanga ndisingachade


zvekujairirwa, chinangwa chake muupenyu hwangu ndakange ndava kuchiziva.Wese aizama kuputsa
hurongwa hwangu ndaimuona semuvengi muupenyu hwangu.Mashoko akataurwa naJoel akaita kuti
ndinzwe kumuvenga marriage was a big "NO" in my life. Mai vangu havana kumbobvira vandirova
kubva ndichikura asi mashoko avo ndiwo akandigadzirisa. Ndinorangarira kuti ndiri form 1
ndakamboita mukomana. Ndiye aive wekutanga akazovazve wekupedzesera muupenyu hwangu.
Rimwe zuva ndakati ndiri pamba mukomana wangu akasvika kugate kwedu akandidana mukomana
wacho aitoveri ticha aive achangouya kuzodzidzisa pasecondary aive handsome saka aidiwa
nemunhu wese pachikoro. Ini ndaive ndakanakisisa mazuva acho, chero nanhasi ndichakanaka asi
kwete zvekusvika pamazuva acho, pamwe kushata kwave kukura handizive. Musi wacho ndaive
ndanzi namom ndibike sadza raitokwata asi ndakangononga mugomo ndichibva ndatodanidzira
mama kuti " muzomona sadza ndichamboenda kunochera mvura"

Mama...... Migomo yese zvaine mvura wani.

Me ...... Ndoda yekugeza.

Ndakapindura ndave kutoenda zvinova zvinhu zvandaisa mboita kare. Vakasimuka pavaishara
nzungu dzavo vakapinda mumba. Ini ndakaenda naSir vaya tikanochera mvura. Pakudzoka vakabva
vati ndimbotura mugomo timbotaura.
Ndakatura mugomo achibva agara pamusoro pawo, Ini ndikanzi ndigare pamakumbo. Apa taitove
munzira. Akabva aisa maoko ake pamukaka wangu. Ndainyara asi kuti shamwari yandaitamba nayo
mazuva acho yaitondiudza kuti kana usingade kurambwa nemukomana unorara naye, saka ndaingoti
akakumbira ndaizobvuma. Takagara paya achingobvunza twumubvunzo tusina basa achindibata
muviri wangu zuva rakasvika pakuvira tiripo. Pese pandaiti ndave kuenda aibva ati unoenda manje
manje. Ndakangozonzwa munhu akugadzirisa pahuro ndichibva ndacheuka kwakusanganisana
maziso namai vangu apa misodzi yavo ichiyerera. Vachingoona kuti ndavaona vakabva vatoenda
kumba. Ndakatakura mugomo wangu kwakuteera. Mukomana uya akangodanidzira kuti "
vakakudzinga udzoke ndokuda" ndakaramba ndichifambisa ndichiteera. Ndichisvika pagate
ndakaona paina Chris ndakabva ndamira. Achibva ati " ko mama varikuchemei"

Me..... Sorry Chris ( Chris ndaisamutya asi ndaitya kurohwa)

Chris..... Chii wavaita sei?

Ndakatura mugomo ndichibva ndagadzirira kutiza. Ndakapindura ndichitya " vandiwana ndine
mukomana akandigarisa pamakumbo"

Chris..... Yoo! yooo! yooo!, gore rino ana Cee mave kutonyengwao. Ndiani mukomana wacho.
Me..... Sir Moyo

Chris.... Inga une choice. Hande mumba unokumbira ruregerero next time muende kwakahwanda.

Moziva ndakangopererwa so, hadzvanzi yangu kuto kurudzira wena. Ndakafamba ndichitya
ndakanopinda mugate achibva andibatira mugomo tikapinda mumba.

Chris...... Chienda unokumbira ruregerero.

Ndakafamba ndikanomira padoor ndikanzwa mama vachichema. Ndakabva ndaramba ndakamira.


Chris akauya akati pinda. Ndakapinda paya ndichibva ndamira vakangonditarisa vakapukuta misodzi
vachibva varamba vakarara. Ndakabva ndati " sorry mama"

Mama..... Enda unobika muriwo tora huku mubike.


Ndakabva ndabuda, hazvisizvo zvavaive mai vangu huku dzedu dzaive 4 saka taisatombodya
zvekudero. Ndakabuda ndikaudza Chris achibva atomhanya kunotora huku. Takabika tikadya tichibva
tadeedza mai havana kuuya. Then takabva tavaendesera havana futi kudya. Takarara mangwana
acho waive mugovera kazhinji ndaimuka mai vangu vatoenda kumaricho asi ndakamuka varipo.

Ndakaita basa rese vakarara ndikabika tea nechimodho ndidzo nguva dzakasvika Chris, akazama
kuno vamutsa asi vakati vaive vakaguta. Takadya tikavaendesera tichiti vachadya, takabva tatanga
kutamba bhora, masikati ndakaenda mumba ndichida kunotora hembe kuti tiende kurwizi
kunowacha. Ndichipinda mumba ndakaona mama vachiita kubuda ziya rakawanda zvekuita sekuti
vadirwa mvura. Ndakadeedza Chris akavhunduka nezvaakaona.

Chris..... Mama ko chii?

Mama.... endai munotamba ndiribhoo

Takatarisana naChris ndikabuda ndichinoisa mvura yekuti vageze ndakadzoka vakati vaisada kugeza.
Ndakabva ndapererwa ndave kushaya zvekuita manje. Takazama kuvamanikidza kudya asi vairamba.
Takazongogarawo padoor. Manheru akasvika hapana akabika ivo vaive vakangorara chete. Vakati
endai munobika asi hapana akabika mangwana acho makuseni vaive vaita kuwira maziso. Chris
ndiye akazouya nepfungwa yekuchipatara asi vakaramba zvekare. Ndipo patakazonodeedza mai
vepa next. Mom vakaramba kutaura chainetsa vaingochema chete. Mai vaya vachibva vakati vave
kunotsvaga ngoro mom vakasara vakamuka vachibva vatanga nekuti," Vanangu"
Us.... Mom

Mom....... Pandakakuzvarai ndikakuchengetai ndaitarisira kuti muzondichengetawo. Kurarama


kwandinoita uku ndinoraramira imi, maricho ndinoitira imi, kugara musango kudai ndiri kugarira imi,
kusashandawo basa rakanaka ndakazviitira imi. Kurarama ndinoraramira imi futi asi imi hamuna
rudo neni. Ndakapotsa ndafa ndichifira kuti imimi murarame muzoonao ramangwana rakanaka asi
imi hamunei nazvo. Kuva vapenyu kwenyu nhasi ndini dai ndisina kushinga makafa kare kare. (
Misodzi yaiita kuyerera zvekuti tese takaguma tave kuchema)

Chris uri kuita zvevasikana uyuwo Cee arikuita zvevakomana. Nhasi ndademba zuva randakatiza
neupenyu hwenyu ndichiuya kuno. Chris ukamitisa unoda kuzodii mwanangu?

Chris..... Sorry mama

Mama.... Ndati unoda kuzodii

Akaramba akanyarara
Mama...... Upenyu ndewenyu pangu ndasakura ndazunza kuona futi gumbo rangu richipinda
mumunda memunhu ndichiti ndiri kukutengerei zvechikoro mundibvunze zita rangu. Chandichaita
kukutsvagirai chikafu anenge amitisa kana kumitiswa ochitanga kuzvionera anoda zvechikoro
achazvionera zvekare. Handichade kuudzwa zvinhu zvine chekuita nemari yechikoro. Chiitai henyu
zvamunofunga kuti ndizvo zvakanaka. Iwe Chris une chikwereti che$20 iwe Cee che $10 kana maona
kuti zvechikoro hamuchada garai pamba handibvunze. Chiendai henyu mobika ndapedza nemi.

Takaramba takatarisana naChris tichinyatsoona kuti zvinhu zvaipa pano. Mama vakabva vatorara.
Takabva tapusa takavatarisa. Ngoro yakauya vakaramba kuenda kuchipatara. Mangwana acho
takamukira kuenda kuchikoro tikanodzingwa. Chris aive form 6 mazuva acho takadzokera kumba
tikawana mama vachitodya zvavo, vaive vatonaka. Takasweresana havana kumbobvunza kuti
madzokerei sezvavaisiita. Mazuva akafamba tichingodzingwa vasinga bvunze uye vaive vasisaite
zvemaricho, weekend yakateera Chris akandideedza achibva atanga kutaura neni.

Chris..... Mama vairevesa shaa, we have to make a plan tiende kuchikoro.

Me.... Sure mazuvano Sir havachataure neni vakungoita zvaChiedza hanzi huya kumba kwangu
utange wandiona lunch yese.

Chris..... Wake up Cynthia, munhu anoda kukushandisa uyu hande kumaricho tisakurire mari
yechikoro.
Me..... Aaaa

Chris..... Upenyu hwako shaa urikuona zvakaita mai Simba izvo kungogara pamba vachingoitiswa
vana nevarume vakasiyana siyana ukapata ndiko kwaunosvika ikoko haufi wakagara mutown kana
kukwira mota.

Me...... AAA Chris

Chris..... Ndiri kukuudza shaa upenyu hwako uhwu ini ndakuenda zvangu.

Akapinda mumba akatora badza kwakutanga kufamba achienda ipapo ndakarangarira mashoko
amama ekuti "ndakapotsa ndafa kuti murarame imi" ndakangosimuka ndikatora badza kwakunanga
kwaive kwaenda Chris ndakamuwana avekusvika. Akafara achindiona,takapimirwa ndima yedu ye
$30 yaive yakakura chaizvo aive maline 30. Takatanga kusakura makuseni uri mugovera. Takasakura
zvekuti takazoenda kumba ndave kunzwa muviri kurwadza. Ipapo ndakafunga kuti ndizvo zvaiitwa
namai vangu kuti ndiende kuchikoro kubva ndichitanga. Moyo wangu wakarwadza nezvandaive
ndaita. Mangwana acho takaswerako zvekare tikazopedza manheru mama vaisabvunza kuti
mamuripi. Takabhadhara mari tikanyora matest efirst term zvakanaka nevamwe. Paholiday rimwe
zuva Chris akauya pandaive akati " ngatiite gadheni shaa"
Ndakabvumirana naye tikanokumbira pekurima kwasabhuku kujinga kwerwizi, kubva musi iwoyo
taisaswera pamba takagadzira garden rakakura kudarika magarden aiveko ese. Takabva taisa
muriwo covo, rape, tsunga, maonion, tomatoes nemacarrots. Masidzi haana kutinetsa kuwana Chris
akanotenga kuMasvingo, akatenga aya anenge akatomera kare. Holiday yaApril yakazosara yopera
mugarden matosvibira. Zvikoro zvakavhurwa, tikatanga kuenda kuchikoro, taimukira kunodiridza
zuva rega rega, mwedzi wekutanga taisadzingwa wechipiri ndiwo watakatanga kudzingwa muriwo
waive usati wotenheka saka taidzingwa tichidzoka kumba toenda kugarden. Ndaive ndatoramba sir
vaya Chris aivewo asisina musikana. Zuva rechipiri ratakadzingwa mama vakataura nesu manheru
acho vachiti " Mari yechikoro iyi monobhadhara mangwana" takafara kani.

Mama...... Ndakupirai mari iyi nekuti makachinja hunhu hwenyu vanangu. Cee zvaunoona varume
ava vanokunyengai nekuti vanongoda kurara nemi vachikusiyai. Ivo ticha vako vaya unoti havadiwo
mukadzi akadzidza here vanotomuda pamwe vanotori naye. Ita zveupenyu hwako mwanangu. ini
pano ndaitombovamo mumba umu asi ndakaita zvekubudamo ndega ndakaona zvakawanda
mwanangu zvibate uzvidzidzire uite zveupenyu hwako handiti.......

Vakatiudza zvinhu zvakawanda amai vangu kubva musi iwoyo vakatidzidzisa zvandakabata
ndikanzwisisa. Kubva musi iwoyo garden taive tobatsirana, nyaya dzave kutsva kuteera ndaive ndave
shasha chaiyo. Zvinhu izvozvo ndizvo zvaive zvoda kuchinjwa naJoel.

Ndakazobatwa nehope ndichingofunga zveupenyu hwangu. Ndakarara ndakatanga kurota Angel


awira murwizi asi rwizi rwacho rwakanga ruine madhaka. Ndakazama kutora danda kuti
ndimubudise asi akabva atonyura zvekusaonekwa. Ndakapepuka ndichiita kuvhunduka ziya
richibuda.
Ndakabva ndatomuka kwakugadzirira kuenda, handina wandakaudza hope asi dzaindishungurudza.
Takanotora Daniel vachibva vandisiya mukombi yaive yatozara. Ichingosimuka foni yangu yakabva
yadonha ichibva yatsemuka screen. Ndakazama kuitacha asi yairamba. Ndakabva ndaidzima ndichiti
ndaizonozvionera mberi. Ndakabva ndatorara.......

End of chapter (2020)

13

Continuation of uncomfortable feeling..

Ndakamutswa tave kutopinda muMasvingo. Ndakabva ndatogara Zvakanaka ndakatarisa nguva


ndikaona kuti kombi yacho yaifamba zvekurevesa. Takasvika muMasvingo ndichibva ndatora
chimota ndave kuenda kwaikwirirwa mota dzeku Zaka. Ndaida kunosiya zvinhu ndobva ndamboita
zvekugadzirisa foni ndozodarikira. Ndakusvika pane kombi 1 yaive yave kuda kusimuka ndakabva
ndataura naconductor, " conductor ini ndichaenda neinoteera pane pandoda kumbosvika."

Conductor...... Munenge mave kutoteera mangwana sister nhasi iyi ndiyo kombi yekupedzesera.
Me..... Aaaaaa asi mukuda kungoti ndikwire kombi yenyu kani. Ndoda kunogadzirisa foni yangu.

Conductor..... Iyi ndiyo kombi yekupedzesera. Mudhara Sumirai vakashaika varikuchengetwa nhasi
saka vanhu vazhinji madriver nemaconductor ndokwavari isu takutobayawo ikoko.

Sumirai ndiye muridzi wemakombi mazhinji aifamba paroad yekwedu. Mamwe aive asiri ake asi
aiwirirana nevanhu vakawandisa saka vanhu vazhinji vaitongoenda kurufu rwake. Foni ndaida chose
kuigadzirisa asi zvekurara muMasvingo ndaisada ndaida kunorara ndaona Chris. Ndakangozo zviudza
kuti ndichadzoka mangwana. Ndakabva ndatopinda mukombi tave kuenda. Kombi yakabva
yatosimuka. Takafamba Zvakanaka ndikanosiiwa pamashops ekwedu ndakabva ndaona ngoro yepa
next ndikaisa zvinhu zvangu imomo kwakuenda kumba.

Moyo wangu waifara kunoona Chris, ndaimuda chaiko ndaive ndamusuwa mukoma wangu.
Ndakasiiwa pamba chaipo. Ndakaita munyama wekuwana pasina kana munhu ndakatoisa zvinhu
zvangu mukitchen key yepo ndaiziva payaigara ndichibva ndafamba ndichienda kugarden ndiko
kwandaifunga kuti ndiko kwavaive. Ndakusvika ndakanzwa vanhu vachitonditaura zvavo.

Mom..... Hameno akauya Cee anoda Angel zvisingaite.


Chris..... Akasauya handichataure naye.

Mom..... Uchiregerei, handi Angel arikurwara here.

Chris..... Apa foni yake haisi kuita dai asina kudzima ndaitaura naye ndonomuona ikoko.

Me..... Sure unenge wagona

Vese vakacheukirana vachitarisa kugate kwandaive. Chris akaita kukanda badza pasi achibva
amhanya achiuya kwandaive akasvika achindimbundira achibva atanga kutenderera neni achiita
noise. Mama vaingo nyemwerera vakatitarisa. Ndakazoenda pavaive ndikava mbundira ndichibva
ndatora badza ravaive vakabata.

Chris..... Iwe chimbosiya badza upfugame umhorese mukoma.


Ndakaseka ndichimurova nemuriwo wandaive ndatemha. Tese takabva tagara pasi ndichibva
ndabvunza vanhu mufaro. Takazotanga kuita dzimwe nyaya tave kutimbira muriwo.

Chris.... Ndandaka kutsamwira.

Me..... Manje wa tsamwanurwa nani

Ndakataura ndichiseka zvangu.

Chris ..... Nekuuya kwawaita ikoku. Uriseiko shaa.

Me..... Ndiribhoo ini dear. Wakasiya arisei muroora.

Chris..... Aribhoo takauya tese.


In ndaive ndatobvunza ndichida kumunzwa iye ave kutoti anaye. Ndakakanda badza pasi ndichibva
ndamutarisa.

Me....... Ko wakatanga riini musikanzwa.

Chris..... Ndine makore mangani nhai Cee?

Me ......28

Chris..... Vezera rangu vatove nevana, ini ndisina musikana kuita musikana hazvireve kuti ndatoitisa
nhumbu ka. Hazvireve kuti ndave kutoroora.

Me..... Mmmmmm
Chris..... Iwe chimboita zve chikoro.

Me..... Ko kana aripo anondida.

Chris...... Usandiudze kuti wave nemukomana.

Me..... No no no handina ini.

Chris...... Saka

Me..... Arikunyondi nyenga


Chris..... Wakapata mufanha iwe dai ndave kutogadzirira kuchaja so.

Mom..... Siya mwanawangu adzidze uko.

Chris...... Moda kuti ndozodya pfuma ndaroora here inozotorwa nemukadzi ndikasara ndiri pa zero.

Mom ...... Kukara zvara wako ugochaja, yaCee ndeyangu.

Chris..... Mom ka. Iiiii handei kumba veduwe ndaneta ini.

Mom...... Wakachitanga rinhiko chisalad chako ichi.

Chris..... Iiii mama, mwana wenyu ndiye akundinetesa iwe ndiudze anoita nezvei ari kukunyenga
kana ane mari ndave kutokutengesa zveJoni handichade ini.
Me..... Futseki uko, handei ndine nzara ini.

Chris...... munhu abva kubus here, waregererei kutengerwa nechikomana chako.

Me..... Ndapiwa mari.

Mom..... Hezvo ko utori nacho.

Chris..... Ko imi moti ndorota zvishoma here.

Me..... Mama haasi mukomana wangu haana kana kumbondi nyenga asi zvaanongoita so ka.
Chris....... anokukisa here (mom vakabva vaseka, ndaitya kutsamwirwa namom)

Me..... Chris hatidanane veduwe, handimude asi iye ndiye anongondipa mari yake.

Chris..... Kana wapiwa unopa in ndokutengera, ndipe tione.

Ndakaramba ndakanyarara, aive akubhowa Chris ndaisada kutsamwisa mama iye ndopooramba
achingotaura nyaya yacho.

Chris..... Anomboita nezveiko.

Me..... Mom ko va Simukai vanzi vashaika vakarwara here (ndakataura ndichizama kunzvenga
mubvunzo wake)
Chris.... Pindura zvanda bvunza.

Me...... Chris haasi mukomana wangu mhani.

Chris..... Ndazviziva kuti hanzvadzi yangu yakadzikama haiite zvevakomana asi ndoda hangu kuziva
kuti mukomana anokunyenga anoita nezvei.

Me...... Ndi Doctor kuHarare nekuGweru ane masurgery 2

Aive apedza kuvhara garden kuti tichienda akatsveta badza pasi achibva andisimudza kwakutanga
kunditenderedza.

Mom.... Ko chii Chris


Chris..... Mama hamufarirewo mukwasha wemari here uyo mama. Ini handichade kuenda kuJoni ini
ndikungo chembera ndisina kupedza chikoro ndakuda kuenderera mberi nekudzidza.

Mama..... Saka wafunga kutengesa mwanawangu.

Chris..... No mom haambowanikwe uyu asi ndoda kuti tiite deal rinogona kutidyisa.

Mama...... Don't worry vanangu handei kumba ndinokuudzai nyaya yakamboitika ndiri mudiki then
totangira ipapo.

Takapinda munzira toenda kumba, ndaitarisa Chris ndichiona kuti ainyanya kufungisisa nezveupenyu
ndakabva ndanzwa tsitsi dai ndaiziva kuti kuwanikwa naJoel kwaiita kuti aende kuchikoro
ndaizoshinga kuwanikwa kwacho. Takasvika kumba pasina aitaura neumwe. Chris aive akaonda
zvandaitoona. Takagara tichiona zvinhu zvandaive ndauya nazvo kwakuzoona zvaChris. Aive andiigira
hembe dze Christmas dzakanaka. Mama vakabvunza kuti " saka mukomana wako ndiye atenga izvi."
Me...... Mama haasi mukomana wangu.

Mama..... Okay asi ndiye here.

I nodded vachibva vatsikitsira ndakafunga kuti pamwe vaichema asi ndakazoona vave kusimudza
musoro vachisekerera.

Mama..... Handikurambidze kuita mukomana mwanangu asi chandinokuudza ndechekuti ziva


zvaunoda muupenyu. Chibikai tidye ndoda kukuudzai nhoroondo yeupenyu hwangu yechokwadi
kwete zvamunoziva.

Takatarisana naChris iye achibva asimuka achinotora huni. Ndakatanga kusuka iye achivesa moto.
Pandakapedza aive atocheka muriwo ave kutobika. Takazobatsirana umwe sadza umwe pamuriwo
zvikakasira tichibva tadya zvedu. Tapedza takasuka tichibva tagara paive namama.

Mama...... Lisa...
Takatarisana tichishamisika..

End of chapter (2020)

14

Continuation of uncomfortable feeling..

Mama..... Yes ndonzi Lisa Mwadiwa not Nakai Moyo, iro ndakazvipa ndega.

Us..... Why
Mama..... Pandakapedza chikoro paUZ ndakasangana nambuya vaChris vachirwara neshuga
ndikavabatsira, ndakaenda navo kuchipatara kubva ipapo vakabva vatanga kundifarira vakatozoita
kuti ndiroohwe nababa Chris anova Nyasha Meraa. Mbuya vaChris vakazofa tikasara tichigara
nababa Chris Zvakanaka naka asi vaisanyatso ndida. Chris akazorwara vakaenda naye kwadoctor
ndipo pavakatanga nyaya yekuti Chris haasi mwana wangu, but ini ndaizviziva kuti aive atenga
madoctors. Nyasha aisandida kubva tichiroorana akango ndiroorera kuti Mai vake vaindida taisaita
nyaya tese sezvinoitao vanhu vakaroorana. Zvakadero ndakamboendeswa kumba kwedu
ndikanovaudza zvekuti aive atenga doctor asi vakazviramba Nyasha akavapa Mari pakaitwa maDNA
test zvekare. Nyasha aiva nemari saka zvekutenga madoctors yaisave nyaya. Maresults akabuda
achiti Chris haasi mwana waNyasha.

Chris..... Vaimboita basa rei.

Mama..... Vaiita zvepolitics mwanangu but vachitori nezvigaro.

Me..... Ooh thus why vavane utsinye.

Mama..... Baba Chris vakati vaizodzokera neni kumba kwavo kuti ndinotaura muridzi wemwana.
Takaenda kumba kuya vakatanga kundibata chibharo zuva rega rega. Vaona ndisiri kutaura vakabva
vatsvaga varume 4 vakauya kuzondiraper zvese izvozvo zvaiitwa Chris akatarisa achingochema asi
havana kuita hanya nazvo. Varume vacho vese vaishandisa protection. Zvakadero ndakazonzi
waramba kutaura saka ndave kuda kuti Chris afe then wogara pano for 3 yrs uchishanda as a maid
then wozoenda.

Chris..... That man was a devil.

Me...... He deserves death mama.

Mama..... Akaenda kudoro akazodzoka Kuma 4 achibva atoti ave kunotora zvekuti ndiuraye mwana
wangu nazvo. Achingobuda Mumba makapinda murume aive akapfeka zvinhu zvitema. Akasimudza
mwana akabuda neni. Takajambiswa durawall achibva aenda nesu kunonzi kumbudzi
kwakutikwidza kombi yakazondisiya mumasvingo. Aive andipa kabag kadiki. Mukabag imomo ndimo
mandakazoona kuti maive nemari netsamba. Tsamba yaive yanyorwa neumwe musikana webasa
aindishandira. Ndiye aive anditsvagira vanhu vakazondibudisa. Aive akanyora kuti Mari aive aiba
muroom mababa Chris. Ndiyo Mari yandakatengesa musha uno nezvimweo zvekuti nditange
upenyu.

Chris..... Pakaipa

Mama...... Ndakagara mwedzi umwe chete pano ndichibva ndazoziva kuti ndaive nenhumbu yaCee.
Mama vakambopukuta misodzi vaive vave kutochema. Ndakarwadziwa neupenyu hwakararama Mai
vangu.

Mama...... Uya watakaona kumasvingo ndiye dangwe kumba kwedu aiti baba vangu vakashaika
nekuda kwestress, mai vari kurwara. Chekuita handichazive vanangu ndodii.

Chris..... Endai moona Mai venyu mama. Mukarwara ndikarega kuuya munorwadziwa the same way
yavarikuitwa. I think kuenda kwakanaka.

Me...... Yes mama munongono vaona motodzoka asi hamuende mega tose tinoenda.

Chris..... Why.
Me...... Ko vakanouraiwa ikoko tofanira kuenda navo Chris.

Chris...... You have a point ipapo. Toenda riini mama.

Mama..... Togona kusimuka chero mangwana. Kumba ndichiri kukuziva kana ndarasika ndifonera
Lee.

Chris...... Ok mom

Takazotandara tichirongedzera kuenda kuharare. Chris aive auya nezvinhu zvakawandisa.


Ndakatoona kuti anenge aisatoda kudzokera zvechokwadi. Ndakangorongedza hembe shoma.
Mangwana makuseni takamukira kugeza nekuenda Kuma bus.

Kuma 6 taive tatove mubus raienda Harare, taive takurumidza kusimuka bus racho raifamba zvekuti
kuma10 taive tasvika muharare.
Chris..... Ndekupi kumba kwenyu mama.

Mama..... Budiro 2 vanangu handei apo tinotsvaga transport.

Me..... Ndane nzara ini

Chris..... Hatisi kuita zvehugotwe nhasi.

Mama..... Ndakakuti bika manhanga wani.

Me..... Iiii mama manhanga mubus here.

Chris akabva atanga kuseka hake, takanokwira mutex tichibva taenda nzara yandainzwa yaive
yakanyanyisa. Takaburuka pama flats tichibva tatora nzira yaienda ku budiriro 2 high. Taifamba
tichiita nyaya naChris mom vaionekwa kufungisisa. Tati fambe fambe ndakazongoona vabata dombo
vakabva vakona pamba paive ne gate reblack. Vakatanga kurova rova gate Riya. Pakabuda musikana
aive akafanana namai vangu. Aive achiri mudiki zvekuma 15 yrs. Akabva ati "makadii henyu"

Mama..... Varipo here Mai vepano

Her ...... Moda Mai ani

Mama.... Mai Lee

Her ..... Mai Lee oooh mukureva gogo pindai varimo.

Takapinda mom vachibva vamira misodzi yavo ichiyerera. Pamba pataive paive pakapendwa negreen
neblack muzasi. Imba yacho yaive hombe, takafamba tichipinda mukati mama vari mberi.
Takapinda musitting vanhu vose vakasimuka. Maive nemurume wechikuru aive akagara pane
vamwe mbuya vairatidza kuti vairwara, neumwe mukadzi aipa mbuya ivavo chikafu kozoti musikana
akativhurira gate. Mbuya vaya vakasimuka pavakaona tapinda vakatora nguva refu vachizama
kumira asi vakazogona vachibva vati "Lisa"

Mama..... Mama

Vakataura vachimhanya kuenda paive namai vavo. Vakambundirana mama vachibva vatanga
kuchema. Vaichema zvaitonzwikwa chero nemunhu aive panze. Mbuya vakabva vatanga kugomera
vachibva vagadzikwa pasi vakati " wagona wauya mwanangu ndiwe wandanga ndakamirira, Sarah
Tora bag rangu riri pasi pemubhedha"

Sara uya akamhanya mbuya vakasara vachitaura nesu "ndivanani avo"

Mama....... Vana vangu mama uyo ndiye Chris uyo anonzi Cynthia.

Mbuya..... Huyai vazukuru. Mai Sandra Tora mvura undipe.


Mama..... Muviri wakadii mama

Mbuya..... Wagona wauya mwanangu ndiwe wandanga ndakamirira.

Bepa Riya rakauya vachibva vabudisa rimwe bepa vakapa mama vachiti " gotwe rangu ino ndiyo
imba yako saina bepa iro"

Mai Sandra..... Mhai munopenga imi mungape hure iri imba ino kuti raitei.

Chris akada kusimuka achibva abatwa namama vachiti " tauya kuzoona mbuya not kuzorwa
nevanhu"

Mbuya..... Kana uchindida signer apa Lisa.


Mama.... No mama, Leeroy taura namai zvavari kuita hazvisizvo izvi.

Leeroy.... Signer Lisa hapana asina kupiwa imba yake kunze kwako signer mai vedu vafare.

Mai Sandra...... Neweo baba Sandra ukusapota svina idzi aivepi Mai vake vachirwara. Imba ino
ndeyangu.

Mbuya..... Signer Lisa ndakamirira iwewe.

Mama vakatarisa baba Sandra vaya, ivo baba Sandra vachibva vasimuka vave kunobata mama
maoko kuti vasigner. Vapedza mbuya vakanyemwerera vachibva vatora mvura vakanwa ka1
vachibva vamwisa mama vakamwisa Chris vakazopedzesera neni.

Mbuya..... Ndokuda mwanangu. Vazukuru ndinokudai mazvinzwa, muchengete Mai venyu. Tese
takagutsurira musoro.
Ba Sandra..... Waita wauya mwana wamai vangu ndinoziva kuti Mai vave kuchipora manje.

Mama vasati vapindura mbuya vakatanga kugwina vachishandurudza maziso. Sekuru vakangovabata
vachibva vavasimudza kwakunanga navo kumota. Tese takateera tikanopinda mumota tichibva
taenda kuchipatara. Takasvika padoctor mbuya vakapindwa navo mukati takasara takamira namai
Sandra vaingofonera vanhu vachivaudza kuti "Lisa auya hameno zvaaita Mai tatovaendesa
kuchipatara"

Chris...... Mama handei kumba.

Me..... Sure mama Ini ndave kuda kudzokera Ini.

Mama....... Shingai vanangu mbuya vakabuda muchipatara toenda. Mai Sandra mukadzi waLee ndiye
muroora mukuru. Ndangoti muzive ndimbuya venyu.
Chris..... Musandiise ipapo mama ini hama yangu ndimi naaCee.

Me..... Nenio handina hama yakadero.

Mai Sandra vaive vave kutaura pafoni vari kure zvekuti taisavanzwa. Takazoona vave kuuya
vachifambisa vakabata foni. Vakabva vaipa mama, mama vati " ndiani"

Voice...... Lisa

Mama vakaita kakuvhunduka zvatakaona tese vachibva vati "Nyasha"

Hana yangu yakarova ko handi ndaive ndaudzwa kuti ndivo baba vangu.
Nyasha...... Now that you are back,ndaizviziva kuti uchadzoka. Totangira patakasiira tichiri kuda
kuziva baba vaChris if not urikufa. Lisa mark my words uri kufa mese nevana vako. Kutonowedzera
kundiitira chifambi inini urikufa Lisa don't try to escape because wakatokombewa ipapo just wait for
me.

Ndakabva ndabvuta foni iya ndikati " We will fight for our mother's happiness no matter what you
fool"

Vasati vadaira ndakabva ndaikata vakafona futi ndichibva ndakata kwakudzosera muridzi foni yake.
Yakabva yarira zvekare vachibva vada kutambidza mama, Chris akangobva kumashure kwaaive
achibva avaridza mbama yekuti vakadonha pasi. Ndidzo nguva dzakasvika doctor idzodzo,
takaswedera paaive tichida kubvunza akabva atanga kutaura ari iye "Am sorry gogo passed away"

Mama..... Dai ndarega zvangu kuuya ini haaaa naNyasha ndinopa buda here mwari. Mai vandanga
ndichitemba navo handisisina.

Vaitaura vachichema zvaipisa tsitsi.......

End of chapter (2020)


15

*Continuation of uncomfortable feeling*

Mama vakaramba vachingochema, ndidzo nguva dzakasvika sekuru Lee vachiti " mama vanga
vakamirira iwe Lisa kuti vazorore"

Mama..... Ndauya kuno ndichitemba kuti mama vanomira neni manje ndichadii nhai mwari.

Sekuru Lee..... Ndiripano don't worry handei kumba tinoronga zvekuchengetwa kwamai.

Mama..... Leeroy, Nyasha adzoka zvekare mupenyu hwangu.


Ipapo mbuya vakabva vasvika vachifambisa vakati " handei ba Sandra"

Sekuru Lee..... Toenda mai Sandra, don't worry mai Chris ndinewe handiti.

Sekuru vakakakatirwa mumota. Chandakaona ipapo ndichekuti mbuya vaisada kuti sekuru vazive
kuti mama vaive vataura naNyasha (yes kwandiri aive Nyasha, ndingatotambise simba ndichiti daddy
kana baba what for nhai) Takanopinda mumota mama vachingochema. Chris aive akavabata kuside
ini ndiri kune rimwe tese taivanyaradza. Takasvika pamba pachitove nevanhu vashoma vaivepo.
Takapinda namom mumba vaisisagona kana nekutaura kwese vachingochema.

Chris..... Don't worry mama am here for you.

Mama..... Nyasha haumuzive mwanangu, Nyasha can do anything if he wants revenge.

Sekuru Lee..... Wakutoitisa vana stress Lisa, inga ndiri pano wani nhai tete.
Me..... Dai vasiri mbuya. (Mama vakakasira kundishunya)

Mama..... Zvoparadzanisa vanhu mwanangu.

Sekuru Lee..... Musiye ataure Lisa hanzii nambuya.

Mama..... Ko Leon aripi.

Sekuru Lee..... Usanzvenge mubvunzo wangu Lisa. Mai Sandra ndomuziva hunhu hwake
hwemusango. �Ndatogara kuti wadzoka� ndichatounza vana vangu vasikana kwauri nekuti havana
kana hunhu.
Mama..... Vachiri vadiki baSandra.

Sekuru Lee.... Vatokura soo Sandra akutopedza course.

Mama.... Vachadzidza havo.

Sekuru Lee.... Hanziiko nambuya muzukuru.

Me..... Udzwai namama

Pakabva pasvika musikana aive� akapfeka achibva ati " daddy mukudiwa"�

Sekuru Lee.... Wambondimhoresa here sandra.


Sandra.... Hi daddy.

Akabva atofamba achida kubva pataive takagara akakasira kubatwa ruoko naSekuru.

Sekuru Lee.... Sandra wamhoresa vaenzi here

Akatitarisa tese kubva kumusoro kusvika kuzasi achibva asunamisa kumeso kwakuti "daddy
ndingavapedza here vanhu vanouya kuzopedzisa chikafu chedu pano"

Sekuru vakasimuka vakamupa mbama yekuti ndakanzwa tsitsi. Iye akaita kuscreamer achibva abva
pataive takagara. Mama vakaita kuwedzera kuchema ndikabva ndatanga kuvanyararidza.

Mama.... Leeroy wakutowedzera dambudziko pamusoro perimwe.


Sekuru Lee...... Vana vangu vese havana hunhu Lisa. Mai Sandra akaresva vana vangu Lisa ipfambi
dzega dzega idzi.

Mama .... Une vangani.

Sekuru Lee...... Ndakaita 3 vasikana 1 akashaika 8 years ago ndiye aitove munhu iyeye. Now that you
are back tine zvizhinji zvatichataura Lisa.

Mama..... Sorry ko akashaika sei airwara here.

Sekuru vakabva vadonhedza misodzi.

Sekuru Lee..... Ndaimuda Shalom zvako Lisa ndiye aiita kuti ndirambe ndichigara namai Sandra.
Shalom was my everything Lisa.
Mama..... Sorry Leeroy Mwari vakatotonga shamwari.

Sekuru Lee.... mwana wangu akangobva pano achienda kuchikoro Lisa kubva ipapo haana
kuzowanikwa takasvaga tikaneta kusvika gore rapera pakazoonekwa mabhonzo nehembe dzaakange
akapfeka nestuden ID yake kusango re kuNorton takabva tanomuviga kumusha nanhasi ndiri kutadza
kubatanidza zvakaitika Lisa. Uyuwo mai Sandra haanzwisisike. Lisa ka, am stressed hako thanks for
coming back to me.

Mama...... Aitasei Mai Sandy.

Sekuru Lee..... Tichataura rega ndigeze tione kufambira mapaper aamai.

Mama.... Neniwo ndoenda.


Sekuru Lee .... unoenda ungasarirei ndiwe tete varipo.

Mama..... Handisiiye vana vangu Lee.

Sekuru Lee...... Chii chirikuitika Lisa.

Gogo vakabva vasvika vachimira pamberi pamama zvikanzi " Lisa ndizvo zvawavinga pano here
kushaisa vana vangu mufaro, hure re...

Havana kupedzisa zvavaida kutaura varohwa mbama naSekuru.

Mama...... Leeroy
Sekuru Lee.... Ndaneta nehunhu hwake uyu.

Gogo..... 30 yrs tichigara tese wave kuzoona uyipi hwangu nhasi baba Sandra.

Vakabva vafamba vachienda kunopinda mune imwe room.

Mama..... Leeroy wakutondiomesera nezvawa kuita izvi. Usadero mukadzi wako.

Sekuru Lee..... Hautambure ndiripo nekuda kwake uyu Lisa never.

Sekuru vakabva vabudawo vakanopfeka. Takasara tichinyararidza mama.

Chris..... Mama ko tikangobva kuno tikaenda kumusha.


Mama.... Chris anga achirevesa vanangu izvezvi pane vanhu varikutoona mamovements edu ipapa.

Me..... Pakaipa.

Mama.... Taivanda kusvikepiko vanangu aingozotiwana. Ndichataura naye apedzere shungu dzake
pandiri akauraya ini better.

Chris..... No mama tosara nani.

Mama....mega vanangu ndikawana mukana wekuti mutize ndoda kuti mudzokere Masvingo ini
ndinosara zvangu don't worry vanangu, ndoda kuti mubatane.

Me.... Mama pamunofira ndipo pandinofirawo.


Mama..... Try to understand mwanangu. Please mwanangu ini ndakatorarama ndikapedza imi
makura chiendai munotanga upenyu.

Chris..... Never mama never.

Mama.... Chris mwanangu.

Chris..... Ibvai manyarara mama.

Me.... Mama we will die with you.

Vakabva vatanga kuchema ndipo pakasvika sekuru Lee.


Sekuru Lee..... Mama vazorora Lisa.

Mama..... My life is in danger Leeroy.

Sekuru Lee...... No, what's wrong?

Mama..... Nyasha is back.

Sekuru Lee..... Wataura naye here or ukufungira.

Mama..... Ndataura naye.


Sekuru Lee..... Wataura naye pafoni yani.

Gogo vakabva vasvika vachiti handei.

Sekuru Lee.... Mira Lisa arikutaura nezvaNyasha.

Gogo..... Haiwa vanongotya zvisina basa handei uko.

Pakabva pasvika munhu akasvika akatanga kutaudza sekuru achibva navo pataive.

Gogo..... Lisa ukada kuudza murume wangu zvisina basa ka unovingwa pamwe chete namai vako
wanzwa. Upenyu hwako huri muchanza changu ichi wanzwa.
Chris.... If you try it, you will pay for the rest of your life.

Gogo..... Mese munenge mafa so stress free.

Me..... Ndakutonovaudza izvezvi, imbwa yemunhu.

Gogo..... Inda kana kuti ndokuperekedza.

Mama vakabva vandibata ruoko ndisati ndafamba. Gogo vakaseka vachibva pataive. Ndakabva
ndaudza mama kuti regai ndiende.

Mama..... Nyasha is everywhere mwanangu hausvike pana sekuru vako apo unenge wafa.
Ndakatarisa paive nasekuru ndichibva ndaona dzingori 5 metres away from us.

Me..... Mama sekuru avo.

Mama vakandibata maoko vakanditarisa mumaziso vachibva vati Nyasha ndakagara naye for 5 yrs
Cee, he was my husband I know him in and out please my daughter I don't want you to die before
me.

Chris..... But mama tiri mumba.

Mama..... Please Chris I know that man ( Vachicheuka cheuka, vakaratidza kuvhunduka vatarisa
munhu aive akamira divi raive nasekuru) Tarisa munhu uyo ane white.

Ndakatarisa murume uya akabva anyemwerera achivhura kabhachi bkake ndakarohwa nehana
ndichiona pfuti. Akabva anyemwerera achiyenda.
Me.... Mama aenda ndakunoudza sekuru.

Mama..... No my child, no please haasiye ega trust me, haasi ega.

Ndakabva ndamira ndapererwa. Pakabva pasvika umwe mukadzi aive akapfeka zvakatsiga.
Akatibata maoko achipedzisira namama, akabva avatambidza tsamba vakabva vaivhura iye
achitoenda.

..To my wife Lisa..

Lisa don't try kutiza am watching you and Lee akaziva chinhu mese muri kufa apa at least ndogona
kukupa punishment, we will meet on Friday, on my way to Zim now bye.

Mama vangu vaihuta vakabata tsamba iya. Sekuru vakabva vasvika vachiibata, mama vakaita
kuikanda mumuromo.
Sekuru Lee..... What's wrong Lisa?

Mama vasati vapindura pakabva pasvika Sandra achiti vaidiwa nana tete vaive vauya.

Sekuru Lee.... Hande Lisa.

Mama.... Chambopinda mutoilet.

Vakataura vachitotendeuka. Sekuti vakabva vafamba vachienda asi vaive vatosuwa zvaionekwa.
Mama vakanopinda mutoilet vakadzoka pataive pakabva pasvika mukadzi aive akatochembera.
Mama vakabva vati " mama titambire"

Mbuya..... Wauya kuzouraya sisi vangu, wapedza chibva ka handi wapedza basa chienda.
Mama vakabva vatanga kuchema. Zvikanzi " Lisa handidi kukuona anywhere near program yerufu
iwe wakafa kare kwatiri imbwa yemunhu"

Vakabva vafuratira kwakuenda. Mama vakachizochema chaiko chaiko manje......

End of chapter (2020)

16

*Continuation of uncomfortable feeling..*


Rufu rwa mbuya rwaive rwatipinza pakaoma. Matauriro aiita mama pamusoro paNyasha zvairatidza
zvega kuti munhu akaoma. Ndaishaya munhu angatibatsira munyatwa yataive tapindana nayo.
Ndaisada kurasikirwa namai kana naChris vese ndaivada muupenyu hwangu. Ndakasiya mama vaina
Chris ndichibuda panze ndaida kumbofurwa nemhepo. Ndaida kumbofunga nezveupenyu hwangu.
Ndakasvika ndikagara, pamba pacho paive pasati pave nevanhu vakawanda asi vaiuya.

Ndichingogara pasi ndakabva ndafunga Angel,Chris naJoel. Ndaive ndakavasiya kuGweru ndikasa
mbovaudza kuti ndaive ndafamba sei. Uyuwo Angel ndaisaziva kuti aive avasei. Ndakasimuka
zvekare ndikanokumbira foni yaChris. Akandipa ndikabuda nayo panze. Ndakabaya number yaAngel
ndiyo yega number yandaiziva nemusoro. Yakabva yaramba ndakaramba ndichingozama asi
yaitoratidza kuti foni yacho yaive yakadzima zvayo. Ndakaita kunonzi kurwadziwa, ndaishaya kuti
dambudziko rangu ndoripedza sei nhai Mwari ndiri mundangariro kudaro pakabva pasvika umwe
mukadzi aive wechikuru aive akapfeka zvakatsiga. Akabva ati,

Her.... Mwanangu ndokumbirawo kuti ufonerewo foni yangu ndambouya kuno ndichizoyanika
hembe manje handichaioni payawira.

Me..... Ndipei number mama.

Vakadanidzira number iya foni ichibva yatanga kurira iri muhembe mavo vakabva vaseka zvikanzi,

Her.... Kuchembera zvakunoita so. Waita hako mwanangu


Vakabva vatofamba vachienda mumba vachifara chaizvo. Ndakamboshaya chavainyanya kufarira
mbuya ivava. Ndakabviswa mundangariro dzambuya vaya nefoni yangu yakarira. Ndakatarisa
number ndikaona iri yekuSA ndakabva ndafunga kuti zvimwe ishamwari dzaChris. Ndakati regai
ndidaire nditaure nemunhu wacho. Ndichingo daira pakabva pataurwa zvakandityisa,

Voice..... Kana mai vako vasina kukuudza nezvaNyasha vakakanganisa but my dear, Nyasha is
dangerous you must know that. Number wangondipa very easy, ndiwo maurairo andichakuita iwayo.

Hana yangu yakabva yatanga kurova kwete nekuti ndaitya munhu wandaitaura naye asi ndaitya aive
atora number. Handizive kuti nemhaka yei.

Voice..... Rega zvako kudaira asi ziva kuti mangwana by this time mai vako naChris ndinenge
ndatovauraya.

Ndakabva ndakata foni iya ndaive ndisisade kunzwa zvimwe zvaizotaurwa nemunhu uyu.
Ndichingokata ndakafamba ndichipinda mumba ndakawana mama vatobatwa nehope vakaisa
musoro wavo pana Chris. Ndakasvika ndikagara padhuze navo ndaishaya kuti ndotaura here
zvandaida kutaura. Vanhu vaiwanda zvishoma nezvishoma. Ndakazogumawo ndabatwa nehope ndiri
pana Chris paya.

Ndakatanga kurota, ndichiita sekuti ndaidzingirirwa nevanhu saka ndaimhanya ndichipinda


musango zvakadero ndakabva ndaona mukadzi asi mukadzi wacho aive akafanana neni pazvese asi
iye ari mukuru, ndakatanga kutya mukadzi uya iye haana chaakataura aive akangomira. Ndakabva
ndaona kumashure kwangu kuchiuya murume aive akabata banga ndichitanga kumuona ndakatoti
ndiDaniel ndakatendeuka ndichiti Daniel save me, ndakabva ndatanga kumhanya ndichienda
kwaaive ndasara nechinzvimbo chidiki diki ndakabva ndasimudza musoro kuti nditarise Daniel,
ndakarohwa nehana ndichiona asiri. Aive murume wechikuru aive akafanana naDaniel zvekuti
unototi pamwe ndizvo zvichaita Daniel kana akura. Murume uya akabva asimudza banga asati
andibaya akanditarisa achibva avhunduka zvandakaona akabva aswedera kumasure achiratidza
kutya. Pakarepo akabva atarisa kuma shure kwangu. Ini ndakabva ndacheukawo ndichida kuona
chaimuvaraidza ndakabva ndaona mukadzi uya wekufanana neni achiyeredza misodzi. Baba vaya
vakabva vatanga kutya. Ndakabva ndatopepuka, ndakashaya kuti dzairevei hope dzakadero. Asi
ndakaramba ndichingofunga mukadzi uya wekufanana neni. Ndakazonzwa Chris avekuti,

Chris.... Ko mama varipi?

Ndakamuka pandaive ndakarara ndichivhunduka, ndakatarisa tarisa ndikashaya mama. Kunze


kwaive kwatosvibira tese takabva tasimuka,

Chris..... Ngativa tsvage.


Takatanga kufamba marooms ese tichivatsvaga asi takavashaya. Takaenda panze tikanovatsvaga
tikavashaya zvekare.

Me..... Todii?

Chris..... Foni ngativafonere.

Chris akatanga kutsvaga foni yake achibva aishaya. Tese taive tave kutya,

Me..... Chris, Nyasha ambofona.

Chris.... Nyasha, nguvai wadii kutaura.

Me..... Pandabuda panze.


Ndaive ndave kuda kutochema, ndakabva ndarondedzera Chris zvaive zvaitika tese taive tave
kutochema.

Chris.... Kana vati mangwana saka mama varipi izvezvi.

Me..... Chris ngati tsvage foni tivafonere.

Takabva tatanga kutsvaga foni iya. Vanhu vese vataikumbira vairamba.

Chris..... Cee hande totsvaga sekuru.

Me..... Iwe enda neuko ini ndiende neuko tosangana kuseri tikavashaya tobva tatopinda mumba
vanenge vari mumba.
Takatanga kufamba, ndichienda nekuseri kuya vanhu vaive vatozara zvekuti ndaimbo vhiringwa
pakufamba. Saka ndakatora chinguva ndisati ndasvika kuseri. Pandakazosvika ndaive ndatononoka
nekuti ndakawana Chris asiko. Ndakafunga kuti zvimwe aive apinda mumba. Ndakabva ndafamba
ndichinopinda mumba. Ndakatanga kufamba room imwe neimwe ndichitsvaga Chris asi handina
kumuwana ndakapedzisira ndave kuita wekudana apa misodzi yazara mumaziso. Ndakazongoona
umwe mukadzi asvika pandaive achibva anditambidza bepa. Ndichingogashira akabva atobva
pandaive. Bepa racho yaive tsamba. Ndakaivhura ndikarohwa nehana nezvandakaona zvakanyorwa.
Yaive yakanzi,

Cynthia chirega kuchema chitojaira kugara usina mama naChris nekuti by this time tomorrow
tinenge tapedza kuvafushira.

No! no! nooooo!, ndizvo zvandakatanga kuita. Ndakabva ndatanga kusheedza ndichiti "Chris, Chris,
mama mama", apa ndichichema futi. Ndichideedzera kudero ndakabva ndaona gogo. Ndakamhanya
ndichienda kwavaive ndakasvika ndikavabata collar ndichiti,

Me.... Mavaisepi mama vangu ndiri kuda mama vangu. Mama, mama,

mama.

Vanhu vese vaive vangonditarisa, ndakatanga kungonzwa dzungu nezvaiitika ndakabva ndadonha.
Ndakapepuka ndakarariswa muroom maive muine murume aive akagara paChair akabata pfuti
nebepa raaive naro. Ndakabva ndamuka ndichitosimuka pamubhedha ndichida kubuda. Ndakabva
ndabata door richiramba kuvhurika murume uya akabva atanga kutaura,
Him.... My dear girl relax.

Akabva asimuka achibva atora remote achibva aita TV yaivemo on akabva aisa disc zvikanzi,

Him..... Tarisa apo.

Me..... Dakuenda kuda mama.

Him..... Ukangopedza kuona wave kutoenda.

Ndakabva ndagara pasi. Ndakatanga kuona vanhu vaive vakavhara kumeso vari vaviri vaifamba
vachipinda mumba. Pakarepo ndakabva ndaona mama vakasungwa maoko vakavharwa muromo
ndakabva ndadeedzera,

Me... Mama, mama!


Murume uya akabva apauser tv achibva anditarisa,

Him.... Shamwari handidi noise. Ukaramba uchiita noise, I will shoot you.

Ndakabva ndatonyarara, akaplayer futi video iya. Ndakabva ndaona umwe wevarume vaya
achibvisa mama hembe. Akabva abvisa trouse rake kwakutanga kurara navo. Ndaiti ndikatsikitsira
ndaibva ndasimudzwa musoro kuti ndirambe ndichiona. Apedza zvaaiita vedio yakabva yapera,
murume wandaive naye achibva ati,

Him.... Unoda here kuti mai vako vararame.

Me.... Yes

Him..... Fine you will sleep with Nyasha for 1 week uchigara naye.
Hana yangu yakabva yarova. Ndakatarisa murume uya ndichibva ndatanga kuchema.

Him..... Toti vaurayiwe ka.

Me.... No, no

Him..... The decision is your babe girl.

Me..... Am, am still a virgin.

Akabva atanga kuseka.

Him.... Fine, Nyasha anoda mhandara kana usingade kubviswa naye ndokuitira favour ndokubvisa.
Ndakaramba ndakanyarara.

Him..... Ukuda here kuti mai vako vararame?.

Me.... Yes

Him.... Saka unoda kunorara naNyasha?.

I nodded achibva aseka,

Him.... Good ndichakutora kuswera mangwana woenda kuna Nyasha. Ukaudza munhu I will kill you.
Wanzwa I will kill you, your mother and your brother, this is between us, is it clear?
I nodded achibva ati,

Him.... Good girl. Mama uchavaona pagate ndichavaisa ipapo ndikanokusiya ndotonovatora, Chris ari
kuchirugu chehuku kuseri kwemba, ukaudza chero Chris, I will blow your head off.

Achipedza kutaura akabva andisunga watch muruoko ndakabva ndasungwa kumeso nemaoko.
Akandisimudza achibva anondiisa mumota. Mota yakarohwa ndisinga zive kwataienda
yakazongomira ndichibva ndasundirwa panze achitora mucheka wekumeso. Akabva asimudza mota
kwakuenda. Ndakatarisa pandaive kwakuona kuti paive pamba pambuya pandaive ndabva.
Ndakatarisa mama pagate ndikavashaya. Ndakabva ndamhanya ndichipinda mukati. Ndakangonanga
kuchirugu kuya. Ndakawana Chris ariko akasungwa netambo maoko nemakumbo. Ndakabva
ndamusunungura.

Chris.... Thank you shaa. Ndangobatwa nevamwe varume

vakandisunga vakandiisa muno. Ko mama wavawana?.

Me.... Hande tovatarisa kugate.

Takamhanya kugate kwakusvika mama vakatirabada padivi penzira. Ndakabva ndatanga kuchema
ndakavatarisa. Ndaisaziva kuti vapenyu here......
End of chapter (2020)

17

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Mai vangu ndaivada ndakazviudza kuti am ready to do anything for her sake. She was a best mom,
chero tiri munhamo medu vaitoona kuti vaita zvese zvavaigona kuti tifare. Ndakaita chitsidzo changu
ndega kuti ndaizonorara nemurume anonzi Nyasha kuitira upenyu hwamai vangu.

Takabetserana kupinza mama mukati tichibva taenda kuseri kweimba tikarara navo ikoko ndakarara
kudero ndakatanga kurota mukadzi uya wekufanana neni akamira panzira achiita sekuti aitaura
nemurume wekufanana naDaniel. In ndaiita sekuti ndaive ndakavanda nedombo. Zvakadero
murume uya akabva akaenda, mukadzi uya achibva asara akabata musoro. Pasina nguva, ndakaona
mbuya vangu vaive vashaika musi iwoyo vachifambisa vachidarika nepaive nemukadzi uya. Mukadzi
uya akabva avabata ruoko kuti vamire. Mbuya vakabva vatendeuka vakapa mukadzi uya mbama
yakasimba. Ndakavatarisa kumeso ndikaona kuti vaichema. Ndakabva ndapeputswa naChris,

Chris.... Muka titsvagire mama chikafu havana kudya nezuro.

Mama vakabva vamuka vakagara vachibva vagadzirisa pahuro pavo kwakuti,


Mama..... Vanangu chiregai kunyanya kutambura nezvangu handiti. Ini handisisina mazuva panyika
uye munofanira kuzvigamuchira izvozvo. Chimwe chinhu musabvume kuitiswa naNyasha. Nyasha
anogona kutokuti kana uchida kuti ndikusunungurei uraya nhingi, rara nanhingi, kana kuti ita zvakati
asi haana zvaanoita asina reason behind that. Yes unogona kuurayiswa munhu but oisa vedio yacho
painternet saka don't do anything muchiti takanzi itai so especially you Cynthia, Nyasha is selfish
anongoda zvake chete usabvume kuitiswa. Tenda kuti akuuraye kwete kuti akuitise nekuti
unotambura. Ini l am gone, musacha ndiverenga muupenyu hwenyu saka awana mukana wekutiza
ngaatize muchiziva kuti muchasangana kumusha. Kana masangana motobuda muno kuda
munozodzoka Nyasha afa. Nezuro ndakatorwa pano ndikanorepwa naiye Nyasha pachake, ndakabva
ndatoona kuti utsinye hwake hwakawedzera chenjerai vana vangu. Ini ndakatorarama ndikafara
ndikakuzvarai ini chizvichengetai handiti mutori hama, makadai makakwana.

We nodded ini ndichibva ndatanga kuchema. Ndakatozviudza kuti ndaisazoenda kuna Nyasha.
Mama vakasimuka vachiti vave kunotsvaga chikafu mumba. Pamba paive patozara zvainzi vanhu
vaizosimuka zuva iroro kuenda kumusha. Chris aive akangogara akatsikitsira pasi, sekuru Lee
vakabva vasvika.

Sekuru Lee.... Vazukuru huyai tiri kupinda mutown tonogarira paDoves tichasimuka nhasi na2 kubva
paDoves kuuya kuno then kubva kuno kuenda kumusha tichasimuka na6. Simukai tione ndoda
kumbono kuchenesai vana vehanzvanzi yangu.

Mama vakabva vasvika vachinyemwerera.


Mama.... Leeroy promise me kuti uchachengeta vana vangu chero ndikafa.

Leeroy.... Iwe haufi shaa ndiwe mai vandasara navo ndiwe hama yangu yasara. Leon aah, ma one
chaiwo.

Mama..... Arikuuya here Leon.

Sekuru Lee..... I don't know but I think anouya akangotsamira mai Sandra chete saka kurufu anogona
kuuya.

Mama..... Vakaitana sei.

Sekuru Lee.... Mai Sandra ibenzi shaa.

Mama.... But akakwanisa kuchengeta mai wani vachirwara.


Sekuru Lee.... Ndiye akatovauraya uyo ndoda kupedzerana naye taviga mai.

Mama..... Ma1 but Lee uchengete vana vangu they need a fatherly figure so iwe uripo and my mind
is at peace.

Sekuru Lee.... Ko uyu wawakaita usiri pano uyu kumba kwavo unokuziva?.

Mama..... Lee hauone kuti mwana wangu akafanana nani?.

Sekuru Lee.... 100% Mai Nyasha.


Mama..... Ndakabva ndine nhumbu.

Sekuru Lee..... Haa apa hazvirambike apa. Ko kuudza Nyasha, wakamuudza here?.

Mama.... Ndichidirei kuzvipa nhamo.

Gogo vakabva vasvika vachikakata sekuru.

Gogo.... Vanhu vanguri vakumirira uko hande.

Sekuru Lee.... Handei Mai Chris.

Gogo.... Vachienda kupi.


Sekuru Lee..... Mai Sandra ndozvikanganwa kuti urimukadzi wangu izvezvi ndikakukanganisa ndoda
munhu ane hunhu.

Takafamba tichienda kumota sekuru vakanopinda mumota yavo yaive isina munhu vakati mama
vagare mberi. Isu kumasure , mbuya vakabva vasvika vachifambisa vachisvikobata door rekumberi
kwaive namama vachida kurivhura sekuru vakabva vavhura hwindo,

Sekuru Lee.... Ndokukuvadza mai Sandy unoda kundipesanisa nevana vamai vangu vese. Uri munhu
rudzii kasira kubva pano izvezvi kasira.

Madoor emota akabva avharwa mota ikasimudzwa tiri 3 imomo. Ndakazvipira kuudza sekuru
chaiuya chaizoona isu.

Me.... Sekuru,
Sekuru Lee..... Muzukuru wakule urisei.

Me..... Handisi bhoo sekuru, Nyasha arikuda kuuraya tese tiri 3 izvezvi mama vakatorwa nezuro
vakanorepwa.

Mama.... Cee ndakuti nyarara wani.

Sekuru Lee..... Ndakazviona kubva zuro kuti pane chiri kunetsa. Handei kumba kwaNyasha wacho
anotanga nekuuraya ini opedzisira imi handi ndizvo zvaari kuda here.

Mama.... No Lee, ngatimboita zvekuti mama vachengetwe vazorore murugare tozoita zvaNyasha,
mama needs to rest.

Chris..... Mama varikutaura chokwadi sekuru. Ngatiitei zvekuchengeta mbuya first.


Sekuru Lee.... Don't worry my sister, I will always be there for you.

Takapinda mutown vachibva vatitengera chikafu. Takazobva tave kunanga kuDoves takasvika patove
nevanhu vakawanda.

Tese takaburuka tichibva tatotanga kufamba tichienda kwaive nevanhu.

Voice.... Lisa

Takasimudza musoro tichitarisa munhu aideedza mama.

Mama.... Leon
Vakamhanya vakambundirana mama vakabva vatanga kuchema..

Kule Leon.... Chinyarara Lisa, I know kuti wakanyeperwa ndakazoziva chokwadi wave nemwedzi
waenda but don't worry zvawauya kudai zvatoita.

Mama..... My life is in danger.

Sekuru Leon..... Don't worry Lisa ndavinga iwe, aripi Chris.

Mama..... Uyo umwe wacho ndiCynthia ndakabva kuno ndine nhumbu.

Sekuru vakabva vatibata tese vakatimbundira.


Sekuru Leon.... Don't worry vanangu. You have a new father now don't worry.

Sekuru Lee.... Ndeip mafana.

Sekuru Leon.... Ndeip Leeroy urisei.

Gogo vakabva vasvika vachimhanya vakasvika vakambundira sekuru Leon. Sekuru Leon vakabva
vavapushira kure vachibva vati,

Sekuru Leon..... Iwe neni takagura ukama kare and 1 more thing if anything...Iet me repeat, if
anything happens to my sister you will pay with your life.

Gogo..... Leeroy unodziona hama dzako, ndozama kudzipa rudo asi hama dzako imbwa.
Sekuru Lee vakangoita 1 step vachibva vapa gogo mbama yakaita kuti vanhu vese vacheuke. Sekuru
Leon vakaita kubata muromo zvekushamisika.

Sekuru Lee.... Mai Sandy uri kundipusha, kundipusha chaiko.

Sekuru vakabva vafamba vachibva pataive. Gogo vakatarisa mama vachibva varidza tsamwa
vakabvawo vachichema.

Sekuru Leon..... Leeroy kurova mukadzi aaaaa, he has changed for sure.

Mama..... Why?

Sekuru Leon.... Ndakasarira nhamo Lisa iwe wakatotiza wakagona ndichakuudza zvangu but
chandafarira ndechekuti Lee akachinja.
Mama..... Hameno

Takazobva paya takuenda kwaive kwakagara vamwe takanogara pamachair takanyarara. Sekuru Lee
vaive vaenda kuma offices eipapo. Pakabva pasvika umwe murume akasvika achingoti,

Him..... Aaaa Leon, ko ndiwe.

Sekuru vakangosimuka vakambundirana nemunhu uya vachibva vatanga kuseka vachitaura nyaya
dzavo. Murume uya akabva ati ndasiya ndisina kukiya madoor emota hande ndonovhara tigodzoka
tichinyatsogara.

Sekuru Leon.... Lisa ndikuuya izvezvi ndiri paGate apo.


Sekuru vakabva vaenda tikasara takanyarara zvedu. Hapana kumbotora nguva pakasvika kamusikana
kaive kachiri kadiki diki,

Her.... Ko vanonzi Lisa ndevapi.

Mama.... Ndini

Her..... Hanzi mukudiwa naLeon paseri apo.

Mama.... Okay, ndodzoka izvezvi Chris naCee.

Vakasimuka mhamha tikasara takagara.

Chris.... Better vana sekuru vachatibatsira.


Ndisati ndapindura sekuru Leon vakadzoka vari vega.

Sekuru Leon.... Asi mama vaenda kutoilet kani vazukuru.

Me.... AAA mama vabva pano vachinzi vauye kwamamuri.

Sekuru Leon..... Nyasha, mabasa aNyasha iwaya.

Vakataura vachitosimuka. Hana yangu yakabva yatanga kurova ipapo pakabva pasvika mai Sandra.

Gogo..... Cee mama vaenda kumba naTete vakuru hanzi panodiwa hembe dzambuya manje
dzangadzatakurwa hadzisi kuita saka vaenda neTaxi.
Me.... Mavaona vachienda.

Gogo.... Haisiyo foni yavo here iyi, ndiyo.

Sekuru Leon..... Ko foni vaisiirei.

Gogo.... Vati inombonetsa kubata battery saka yadzima hanzi Cee ndiwe unogona kuigadzira.

Ndakagutsurira musoro ndichitambira foni. Ivo vakabva vatoenda,

Sekuru Leon.... Handimuchenese muroyi uyu rega ndimhanye paden.

Vasati vambodii pakabva pasvika sekuru Lee,


Sekuru Lee.... Pane zviri kuda kuitwa shaa zvinoda Ini newe.

Sekuru Leon.... Lisa hatisi kumuona shaa pakaipa ngatimbomira izvozvo. Hanzi aenda navatete
kunotora zvinhu zvamama.

Sekuru Lee.... Ooh yes, vanhu vavasarudza zvisingaite manje tete ndavati torai munhu chero
wanokwanisa kuenda naye mumhanye netaxi. Saka vazukuru sarai pano touya soon.

Sekuru Leon... Bhoo kana zvakadero.

Vakabva vafamba vachipinda mukati ipapo foni yamom yakabva yapinda sms yaive yakanzi,

Cynthia, mai vako ndatora but ndakuda kutovauraya you have 30 minutes to decide. Ukaratidza
munhu sms iyi ndovauraya chero Chris ukamuratidza ndokuuraya, tarisa kuside raenda nanasekuru
vako, ukada kuendako unofa usati wasvika. The only solution kubuda panze pegate totaurirana
izvezvi....
Ndakatarisa kwaive kwaenda nana sekuru ndichibva ndaona murume aiveko akabva avhura bhachi
rake ndikaona pfuti. Hana yangu yakabva yatanga kurova. Ndaive ndave kufunga kuti mai vave
kutofa sure. Ndakazviudza kuti ndaizonorara naNyasha. Mai vangu vaisafanira kufa, kana kuri kurara
naNyasha I was ready...

End of chapter (2020)

*18*

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Ndakatarisa nguva ndikaona dziri 12:00 ndakafunga kuti mai vangu vanzi vari kufa na 12:30
ndakabva ndasimuka ndikatanga kufamba ndichienda kugate kuti ndibude panze. Ndisina kure
kwandaenda ndakabva ndabatwa ruoko naChris.

Me.... Ndisiye iwe.


Chris..... What's wrong Cee?

Me..... Hapana ndirege mhani Chris ukundinonotsa.

Chris..... Don't make decisions kana uine stress Cee, let's share the problem.

Taitaura tichifamba tichibuda mugate. Ini misodzi yaive yazara. Ndave kungochema, Chris
akandibata tave paroad takabva tamira.

Chris.... Handei pamuti uyo tinotaura ipapo.

Takatanga kufamba ini ndichingo chema.

Chris..... Cee ukaramba uchichema, you won't solve anything.


Hameno chakaita kuti ndicheuke. Ndakabva ndaona murume uya achititeera ari kure apa achitaura
pafoni. Ndakazoona osimudza ruoko zvekuratidza kuti "sharp" zviya, ndakatarisa rimwe divi raaive
akatarisa ndichibva ndaona varume vaviri vaaitaura navo nemasign, ndakabva ndaziva kuti vanhu
ava vakawanda uye vanotoziva zvatinoita. Ndakabva ndatarisa Chris,

Me.... Chris mama vatorwa nematsotsi. Matsotsi acho akawanda plus akutiteverera.

Chris.... Ndeapi, ndiratidze ndivaendere.

Tiri mukutaura kudero kumashure kwedu kwakangomira mota. Murume uya wekunditeera akabva
angosvika nekubata Chris achimukandira mumota. Aive akamuvhara muromo nemhino. Ndakazama
kuenda pamota asi ndakakavirwa kure.

Mota yakasimudzwa zvekurevesa yakananga kwandaisaziva pakarepo mufoni mangu makabva


mapinda message yaive yakati,

�If you don't obey my rules they will die, you have 24 minutes left.
Ndakabva ndatotanga kutya. Ndakabva ndapindura Sms iya ndichiti am ready for that. Yakapinda
imwe yaiti,

�my boys will be here soon with you, they are coming.

Hana yangu yakabva yatanga kurova. Ndakatanga kufunga mashoko aAngel aaiti love is sweet kana
une munhu waunoda, uye murume anonyanya kukuda akaziva kuti urimhandara.

Ndakabva ndafunga kuti manje ndikatengesa umhandara hwangu ndozomuwanepi murume


anonyatsondida. Ndakafunga zvekare mashoko amama ekuti "usambofa wakatendera kuitiswa
naNyasha" ndakakasira kuti NO, I will never lose my virginity to someone l don't love. Ndakabva
ndatofunga kudzokera kwaive nana sekuru kuti ndinovaudza zvekushaikwa kwamama naChris.
Ndichingotena ndakarohwa nehana ndichiona varume vaviri vari kumashure kwangu. Ndakabva
ndadududza ndichitya ndisina kure kwandasvika pakabva pamira mota yaive ine murume uya aive
akambo nondiratidza mama vangu vachirepwa neumwe murume. Ndakarohwa nehana ndikaramba
ndakamutarisa, ndainzwa kuti musodzi yazara mumaziso. Ndakabva ndangoti NO zvine simba
ndichitendeuka kuti ndimhanye kuenda. Ndakamhanya ndichipinda munzira yemota. Pandakada kuti
ndidarike road ndakabva ndanzwa bhera remota ndakatarisa ndikaona mota iya yatosvika.
Ndakango kwanisa kuscreamer ndichibva ndatorohwa nemota. Handina kuzoziva zvakaitika.

Ndakapepuka ndiri muchipatara. Ndakabva ndatanga kutarisa tarisa zvairatidza kuti ndaive ndatove
nenguva refu ndiri panzvimbo iyi. Ndakabva ndaona ruoko rwangu rune watch. Ndakatanga
kurangarira kwandaive ndaiwana. Ndakabhoikana ndichibva ndaibvisa. Ndakatarisa nguva ndikaona
dziri 3:45 ndakabva ndazama kumuka asi ndakatadza.

Ndichiri mukuzama kufunga kuti ndauyiswa nani uye zvichafamba sei ndakabva ndanzwa door
kuvhurwa. Ndakakasira kuvhara maziso angu ndaida kunzwa zvaizotaurwa nevanhu vaive vapinda.

Man 1.... Doctor ndakuudzai kuti musabvise watch iyi.

Doc.... Am sorry, I think ndinurse vaibvisa.

Man1..... Watch iyi ine tracker ndoirikutibatsira kumuteera.

Doc..... But boss vako vati timuuraye and am waiting for the injection.
Man1..... Mwana akanaka uyu apa hanzi kachakazara shaa dai zvaiita ndaimboravira.

Doc.... Haaa unourawa naNyasha. Anoratidza kuti anomuka mangwana.

Man1.... Anomukira muguva.

Vakabva vatanga kuseka zvavo. Pasina nguva pakaita futi knock padoor.

Doc..... Hande pamwe vauya ve injection ava.

Vakatanga kufamba vachibuda ndakabva ndaita musikanzwa ndikavhura ziso 1 kuti ndione vanhu
vaitaura.
Hana yangu yakarova, infact ndakaita sendichazviwetera. Ndaive ndaona ari family doctor wekumba
kwa Angel. The devil himself ndiye futi aida kuuraya Angel neinjection. Ndakatanga kuhuta muviri
wese. Aive ataurawo zvekuti aive akamirira injection zvaitoreva kuti ndaizofa musi iwoyo. Misodzi
yangu yakatanga kuyerera ndainzwa kurwadziwa. Vakabuda vakasiya vavhara door.

Ndakabva ndacheuka ndikatarisa kuhwindo. Ndipo pandakaona rakashama, ndakanzwa kufara


nekuti ndaitokwana. Ndakatanga kuzama kusimuka zvichiramba musana wangu wairwadza,
ndakabva ndazongoshingirira. Nguva dzandakanzwa vanhu kuuya ndakakurura watch ndichibva
ndaisiya. Ndakabva ndatora kafoni kaivemo. Kaive kuchimbudzi incase kaigona kusobatsira.

Ndakabva ndabuda kwakutanga kufamba ndichikamhina. Ndakatenderera ndikano buda nepagate


hapana kana akandiona. Ndichingobuda ndakanzwa munhu aiti. Vharai gate kuti asabude
tinomuwana.

Ndakabva ndatoona gate richivharwa. Gumbo rangu rairwadza saka ndakanyatso tsvaga paive
nemaruva akawanda ndichibva ndaenda ndikarara zvangu. Kafoni ndaive ndatodzima kuitira moto.

Moziva ndakangorara sefani asi hope dzakabva dzatobata. Ndakapepuka kunze kwatosviba.
Ndakamuka ndichibva ndatanga kufamba ndichienda nenzira yemutown. Pandakaona kuti ndakanga
ndave mutown ndakabva ndatoita kafoni kaya on. Kachingopedza kurira ndakabva ndadarikwa
nemota yakaita kunoridza mabreaks ichimira.

Voice.... Uyo ndiye kona, kasika.

Ndakarohwa nehana. Ndakabva ndapinda mune kamwe kanzira kaisafamba mota ndikatanga
kumhanya nako. Ndati manye manye ndakabva ndaona kuti kumashure kwangu kwaibva varume
vaviri. Handina kumira kumhanya. Ndakanzwa kafoni kandaive nako katanga kurira, ndakakata
ndichibva ndatarisa kuti maive nemari yekufona here. Ndakafara ndichiona yakawandisa. Ndakabva
ndatanga kubaya number yaChris yakangorira kaviri ichibva yadairwa naiye Chris. Akadaira neizwi
rekutya.

Chris..... Hello

Me..... Chris uripi my life is in danger ndiri kudzingirirwa Chris.

Pane munhu akabva ati ndipe kuno.


Him..... My dear girl wazvitsikisa nemota uchidaka, I want you here and mai vako vachafa wakatarisa.

Me.... Please don't kill her, am ready to sleep with you, spare my mother's life.

Mama.... Cynthia don't. Please Cynthia don't come here please, we will be fine Cynthia.

Ndakanzwa mama vachidanidzira neizwi rekuchema. Foni yakabva yakatwa, ndakambofunga Daniel
naJoel apa vese ndaisaziva mafoni number avo nemusoro. Ndakanzwa misodzi ichiungana zvekuti
ndaitadza kana kuona nzira. Ndakabva ndazofunga kufonera number yaAngel pamwe yaigona
kungoitawo. Ndakabaya number dziya ikarira ka2 ichibva yadairwa naDaniel.

Daniel.....hello

Ndisati ndadaira ndakabva ndaona kumberi kwangu kwavane varume vaive vakabata pfuti,
vekumashure vaive vave kutosvikawo.
Me.... Daniel my life is in danger. Your family doctor, Daniel murume wamama Daniel.

Ndisati ndapedza kutaura ndakabva ndaona umwe wevaive kumberi achikoka pfuti.

Me.....oooh please don't shoot me.

Daniel.... Uripi Cynthia.

Me..... Harare, please don't shoot me.

Ipapo akabva atoridza pfuti ndichibva ndapfurwa. Ndikatanga kunzwa kupera simba. Ndakabva
ndapfurwa futi kechi2 ndichibva ndadonha. Ndakangopedzesera kunzwa mashoko aiti,

Voice..... Handei tomukanda kudam riya ndiko kwatanzi timukande.


Ndakabva ndatotanga kunzwa mweya wangu uchibuda zvishoma nezvishoma kusvika ndisisanzwe
zvaiitika.

End of chapter (2020)

19

*Continuation of uncomfortable feeling..*

*NB*: *Last free chapter.*

.. Nyasha..

Ndaive ndave nemazuva ndichingoona baba vangu vachiratidza kushungurudzika. Ndaivada baba
vangu kudarika zvinhu zvese zvingadiwe panyika. Rimwe zuva ndakaenda kugarage kwavaive
ndikasvika ndikavaona vachiratidza kuti vaichema. Pakarepo foni yavo yakabva yarira.
Ndakangonzwa vachiti am coming. Vachingopinda mumota, vakamborara pa steering vachiita
sevaichema. Ndakabva ndaenda kwavaive ndikanonoka vakakasira kupukuta misodzi vachibva
vavhura door.

Me..... What's wrong daddy?


Him.... Nothing my boy, go inside daddy is coming soon.

Me.... Dakuendawo.

Him.... No Nyasha, go inside.

Vakataura vachitomutsa mota. Ndakabva ndazviudza kuti ndaizotsvaga ndega chaivanetsa. Ndakati
vachingobuda ndichibva ndaenda kumba kwana Nyasha (yes I mean Nyasha not inini asi musikana
wandaidanana naye mazuva acho) Ndakasvika ndikamukumbira mota yababa vake vaive vasipo saka
haana kuramba ndakapinda mumota kwakutanga kuteera daddy. Ndaive ndiri form 3 ipapo
musikana wangu Nyasha ari form 1 taidanana zvekuita sevanhu vave kuda kutoroorana ndakateera
ndiri kure kusvika ndaona vachipinda pane imwe imba ndakadarika ndichibva ndanomisa mota
kwakudzokera netsoka ndakasvika ndikajamba durawall kwakupinda. Ndakabva ndanzwa zvichinzi,

Voice.... Felex ndakauraya vana vako 2 asi hausi kuda kutonzwa ka. Ndakuuraya iwewe.

That was my father's best friend ndakatanga kutya.

Daddy..... No shaa, inga wani ndakati ngatiite zvemari.


Him.... No ndirikuda kurara nemukadzi wako ndiko kuti nyaya yacho ipere.

Daddy..... She is innocent Brain.

Him.... Shamwari ndipoo tambo iyo. Kana mukadzi wako kana mwana angoita anything ndiri
kuuraya Felex, bye tichasangana ikoko.

Ndakatanga kunzwa baba vangu vachigomera. Hapana zvandaikwanisa kuita saka ndakango jamba
ndikabuda. Ndakaenda kumba ndikanozvivharira ndichifunga way forward baba vangu vaive
mupolitics. Ndakazonzwa mama vave kuridza mhere ndikamhanya kunovaona vakabva vandiudza
kuti baba vaive vaita accident vakafira paspot. Ndakarwadziswa , ndakazviudza kuti Brain
ndaizomuuraya no matter what. Baba takano vachengeta zvakanaka kumusha munhu aito nyanya
kumira mira ndiBrain, handina kudà kuzviratidza kuti ndaiziva zvaive zvaitika. Ndakatanga
kuzviswededza pedo navo. Vakabva vatanga kunyenga mai vangu ini ndichitovasapota kuti
zvakanaka. Ndipo pakatangira ushamwari hwedu ipapo.

Pakapera 2 months mai vangu vachingoramba ivo vachindipa pressure yekuti nditaure namai. Rimwe
zuva ndakawana mushonga wainzi unouraya munhu papera 3hrs. Ndakavafonera ndikavaudza kuti
ndaida kuzovaudza good news. Semazuva ese takasvikopiwa chikafu. Ndakabva ndabhipa foni yavo
vakasimuka patable vachinoitora ndichibva ndasara ndichiisa mushonga uya mudrink. Tichipedza
kudya ndakavaudza kuti mama vabvuma asi vati mozotanga kutaura mangwana hanzvanzi yavo
yakauya yaenda. Ndakaoneka ndikaenda kumba, handina kumbonogara nguva refu ndakabva
ndafonerwa ndichiudzwa kuti vashaika. Ndakafara zvekufarisisa chaiko. Vakanochengetwa
zvakanaka tikatanga kugara nemufaro.
Papera 2 weeks vachengetwa, pamba pakauya umwe murume aimboshanda nana baba. Akasvika
akandiudza zvekuti ndiwe wakauraya Mr Brain ndakamboda kuramba asi aitove ne evidence
yevideo. Akabva anditi handina wandinopa nyaya yako kana ukabvuma kupinda mupolitics. Ini
zvepolitics ndaisada asi ndaisave nechoice. Ndiwo mapindiro andakaita politics. Yakachizo ndipinda
zvekuti ndaive ndatove shamwari yepolitics. Mai vangu vaisazvida asi vaive vasina option. Makore
angu ekuroora akasvika asi ndaisave nemusikana wandaida kuroora ndaingoita zvekutambisa
ndichisiya.

Ndipo pakazouya Lisa, she was beautiful ari wife material. Ndakamubvuma nenyaya yekuti aidiwa
namai vangu.

Takagara akabata nhumbu payaive yave pa5months, mukadzi weshamwari akapona mwana aive
asina zvigumwe zvekumakumbo achibva ati mwana wacho apiswe. Mai vangu vakamboti ndipei
zvangu ndichengete asi ndakarambisisa. Mazuva iwayo Lisa ndaisamuda taingogara zvekuti nekuti
mai vaimuda. Lisa akazopona mwana mukomana akatumidzwa zita namama kuti Chris. Makore
akafamba Chrispen akasvitsa 4 yrs Lisa akabva aenda kurufu kumusha kwamai vake ndikasara ndiina
mama. Zuva raifanira kudzoka Lisa makuseni acho mama vakanditi "dai Lisa achidzoka muviri wangu
urikurwadza kana aripo ndoziva kuti ndine anonditarisa"

Ndakango zvitorawo senyaya ndichibva ndabuda kupinda mutown. Kumasikati ndakafonerwa


nemusikana webasa achiti mai vadonha, ndakamhanya kumba tichibva tavaendesa kuchipatara.
Vakashaika tichangosvika kuchipatara. Ndakarwadziwa, kurwadziwa kwandisina kumboita kubva
ndichizvarwa. Ndipo pandakatanga kuda Lisa ipapo. Mazuva iwayo ndaive nenyaya dzangu
dzekuuraya mukadzi weumwe wandaishanda naye. Ndakamuuraya mushure mekunge ndaziva kuti
aive aziva kuti ndini ndakauraya Mr Brain uye aida kunondi mhan'arira. Muridzi wemukadzi aida
kundirwadzisa nekuurayawo mukadzi wangu ndipo paakaudzwa kuti unenge usina kumurwadzisa
nekuti mukadzi wacho haamude. Kubva ipapo ndakatanga kuactor as if ndaisada mukadzi but ndaive
ndave kumuda. Ndakatanga kugadzirisa mapaper ekuti ndiende nemukadzi wangu kunze kwenyika
tinotanga upenyu hutsva.

Musi wandakanga ndamirira kuti ndichipedza zvekutengesa mota ndichiti taizoenda in 4 days time
ndipo pakarwara Chris, ndakaenda naye kuchipatara zvikanzi haasi wangu. Ndakarwadziwa
zvekutadza kuzvidzora, ndikafunga kuuraya mwana. Zuva randaida kumuuraya akabva atiziswa.
Ipapo ndakazama kutsvaga munhu aive amubatsira asi ndakamushaya. Ndakazama kutsvaga kwaaive
aenda asi ndakashaya. Ndakaita hasha ndikafunga kuti pamwe ihama dzake. Ndipo pandakauraya
baba Lisa ndakangoita zvinhu zvekuti munhu wese akabvuma kuti vafa neBP.

Gore rakateera racho ndakabva ndaita accident ndikaenda kuchipatara, ndikanzi handichakwanise
kuzvara. Ndipo pandakachizo tsamwa kuti Lisa aive anditambisira nguva ndakapika kuti chero
ndikamuona achinzi akafa ndaizotsvaga Chris nemhuri yake ndovauraya ndakazviudza kuti kupona
kwavo kufa kwangu. Handina kuzorora kuvatsvaga asi ndakatowedzera.

Rimwe zuva ndakati ndiri pahotel ndine hure rangu, ndakaona Mai Sandra mukadzi waLeeroy. Aive
aine boyfriend ndakabva ndatotsvaga proof ndakawana video yavo vaine umwe murume. Ndakabva
ndatotanga kuda kuvaitisa. Ndaka tora mwana wavo musikana ainyanya kudiwa nababa Sandra
ndikamuendera kuChina ndiko kwaaive ave kugara ndakamubaisa injection rekuti akanganwe zvinhu
zvese. Ndakanyatso udza mai Sandra kuti Lisa akasauya mwana haasi kuzodzoka.
Ndiwo mazuva andakazonogara kuUK ndaisada kunetswa namai Sandra. Ndaive ndavaudza munhu
wavanoudza kana Lisa akadzoka. Makore akafamba kusvika patove ne28 yrs ndaive
ndakutokanganwa zvaLisa. Rimwe zuva ndakafonerwa neumwe muface wangu akati hanzi Lisa
akauya atove nevana 2.

Ndakazvivharira mumba ndikambochema ndisati ndasimuka. Lisa naChris ndaida kuvauraya uya
musikana mudiki ndaida kudestroya life yake. Ndaida kuisa mavedio ake pasocial media ndaida kuti
atambure upenyu hwese.

Ndakauya kuZim ndichibva ndatoenda kumba kwangu. Pandakatanga kutora Lisa ndichirara naye, I
felt connected kwaari. Ndakanakirwa zvandaive ndisati ndamboita muupenyu hwangu imwe
pfungwa ikamboti chingotora Lisa ugare naye. Ndakabva ndafunga kuti handina vana nekuda kwake.

Ndakaendesa vanhu 15 vakadzi nevarume kurufu kuti vaite basa vachibetserwa namai Sandra.
Ndakazoti vauyise Lisa akauya, Lisa ndichibva ndarara naye. Ndakanzwa kumuda zvekuti ndainzwa
hasha mumoyo mangu. Chris akazouya ndakamutarisa ndikanyatsoona kuti aisave mwana wangu.

Pandakanzwa zveaccident yaCee ndakarwadziwa coz ndaida kurara naye mai vacho nehazvanzi
vakatarisa. Ndakatumira injection rekuti auraiwe nezvandaive ndakunzwa ndakatarisa Lisa
ndaisazogona kuzvi controller ndaigona kuzochinja pfungwa. Ndaida kumuuraya ndibve ndatoenda
kuUK. Ndakafonerwa ndichinzi aive apfurwa musikana uya. Ndakabva ndafara ndikambogara
ndichimira kuti vasende video yandaida. Vakazosenda vedio kuma 3 zuva rovira vave mutown vaiti
kwavaive vamukanda kwaive kusina network uye kusingagare vanhu. Ndikazoenda kuroom yaive
naLisa naChris ndakasvika ndikaisa flash re video yaive naCee paaive achiputirwa mublack Plastic
ndakabuda ndikasiya vachiona ndakazodzoka vave kukanda kudam vakavhara kumeso. Ndakawana
Lisa achichema moyo wangu wakambo rwadziwa asi ndakakasira kubvisa pfungwa iyoyo ndichibva
ndabata pfuti.

Lisa..... Nyasha God will punish you.

Ndakabva ndatsinzinya ndikapfura Chris. Pandakasvinura aive atodonha ave kubuda ropa. Ndakabva
ndanyatsoti,

Me..... I hope I will never regret this.

Lisa aive akatarisa mumaziso angu hapana chaakapindura. Ndakabva ndasimudza pfuti
kwakumutendekera ndakabva ndaridza pfuti ndikanzwa....... ndakabva ndasvinura ndikaona........
hana yangu yakabva yatanga kurova ndichiona ropa rakaita kuzara.
End of Chapter (2020)

20

*Continuation of uncomfortable feeling.*

*NB* : *This book is on sale please don't share.*

.. Daniel..

Zvimwe zvinhu zvinoitika muupenyu so ka unotoshaya kuti imhepo yasatan here kana kuti zvakagara
zvakarongwa naMwari. Ndaizvibvunza mubvunzo wekuti ndiMwari here kana kuti ndisatan akaita
kuti ndive nemafeelings pahazvanzi yangu kudero. Kana ari Mwari achizviitirei. Kana ari satan
hameno, ndaitoshaya kuti zvichazopera sei.
Munzira kuenda kuchipatara patakatambira foni yaAngel. Ndakatadza kubeliever zvandaive
ndaudzwa ndikatanga kuchema. Ndakafunga kuti dai Cynthia aivepo zvinhu zvaizofamba zvakanaka
taizofara pamwe chete uye taizoita maDNA edu

tiri pamwe chete. Joel aifambisa mota achingo ndinyararidza. Takasvika pachipatara ndikaburuka
mota isati yamira ndikatanga kumhanya ndichienda kwaive naAngel. Ndakapinda misodzi yakazara
mumaziso. Ndakambo zvishunya ndakatarisa Angel. Ndaitadza kugamuchira zvandaive ndakatarisana
nazvo. Angel akabva atanga kunyemwerera. Ndakazvishunya kuti ndione kana ndaisarota. Ndakabva
padoor ndichifamba kupinda mukati. Angel aive akagara akazembera madziro. Ndakano
mumbundira ndichibva ndaramba ndakamubata,

Angel.... Wawaendepi?.

Me.... Tataperekedza Cynthia.

Angel..... Kupi?

Me.... Adzokera kuMasvingo nhasi aive kuno kubva musi wawakatanga kurwara so hanzvadzi yake
yakauya kuChrismas saka aenda.

Angel.... Mufonere adzoke tozoenda tese.


Me.... Foni yake yangaichiramba taizama taizama zve.

Angel.... Urisei.

Me..... Ndandakusuwa.

Angel..... Ndiani date nhasi.

Me.... 21 wena

Angel..... Ndandarwarisa Yoo.


Ndakaswedera pedyo naye achibva atanga kundikisa, I responded ipapo ipapo. Takavhundutsirwa
nemunhu akawombera maoko. Akapinda Joel achiseka zvake.

Joel.... Well come back to life Angel.

Angel..... Thank you for helping me Joel.

Joel..... Tochiita hedu DNA test zve.

Angel.....DNA, what for.

Me.... Cynthia akati anoda kuti Joel atiite DNA test kuti tese tinyatsoziva kuti tiri kurwa nasatan here
kana kuti we must be husband and wife.
Angel akamboramba akanyarara, akatsikitsira achibva azosimudza musoro ndipo pandakaona kuti
aichema.

Me..... Babe chii?

Angel.... Ko kana uri hanzvanzi yangu zvechokwadi.

Ndakashaya chekupindura ipapo ndaive ndatopererwawo. Joel ndiye akatopindura,

Joel.... That means tetakutomboita zvekunamata chaiko chaiko kwete zvekutamba naMwari Angel
kuti feeling yasatan ipere.

Angel..... I love him Joel.

Joel.... I know let's do the DNA test tiwane pekutangira.


Angel..... No, not now handizokwanise kuzvitambira ini. Ndoda pana Cynthia, toita kana adzoka.

Joel.... Fine.

Me..... Family doctor handivachenesa Angie, ndivo vakakubaya injection rine poison.

Angel.... What? How,

why?

Me.... I don't know luckily, I overheard him vachitaura nemunhu wavaiti vatopedza basa in no time
unenge wafa. Ndipo pandakamhanya newe kuchipatara kwaJoel iye aive asiko then munhu
akadrainer poison akaresva ukatomboita sewafa. Ndakatadza kuzvigamuchira Angel ndichinzi wafa.
Ndakabva ndazozvigamuchira Angel ndakabva ndazvibaya nebanga apa. (Ndakataura
ndichipafukura ndichimuratidza akabva adonhedza misodzi) zvadero Joel akazouyawo in time
akandibatsira apedza neni, iwe wave wakuda kuiswa mumorchary ndipo pawakasimudza zvigunwe,
Joel akadeedzwa ndiye akazotaura kuti wanga usati wafa. Akakubatsira Joel kubvisa poison yose
achibva azotitakura kuuya nesu kuno kuGweru.
Angel.... Gweru, saka tiri kuGweru.

Me..... Yes ndakamukira kuno. Joel naCee vakamira nesu babe.

Angel.... Joel thank you.

Joel.... It's okay Angel.

Angel.... That family doctor will pay with his life I swear.

Joel..... Haadi dzungu Angel.


Me.... Tozotaura later guys ngatidye chikafu chauya ichi. Nhai Joel hazviite here kuti Angel
achinoporera kuHarare coz ndine basa randoda kuita ikoko.

Joel.... Zviribhoo chaizvo neni ndodawo kuenda basa rakamira so.

Angel..... Ngatisimuke manheru.

Takadya tichiita nyaya tichibva tazoenda kumba kwa Joel achinorongedza. Takaoneka tichibva
taenda kuSurgery ya Joel takasvika tikawana nurse aivepo atopedza kugadzirira Angel takabva
tatopinda mumota tave kuenda. Ini naAngel taive takagara kumashure Joel achidriver arimberi
naAunty vaishanda kumba kwake.

MuHarare takasvika zuva richangonyura takabva tananga kuchipatara Angel aida kubaiwa injection
ikoko. Tichibvako takanorara kumba kwaJoel.
Mangwana acho ndakamukira kuenda kuMarondera kunotora mota uye kugadzirira zvinhu zvekuti
ndichitanga basa. Number yacynthia yairamba pese pandaiizama.

Ndakazobva kuMarondera ndave kumbotenderera ndichitarisa business rangu kuti raifamba


zvakanaka here. Angel ndaisamutyira aive naAunty. Manheru acho ndakadzokera kumba ndikasvika
Angel achiona Zee World that was her favorite channel paDstv. Ndakagarawo tikatanga kuona tese,

Angel.... Ko foni yangu iripi Daniel.

Me ..... I think iri kumba.

Angie.... Ndiri kuida shamwari mune number yaMai Chris ndoda kuvafonera ndinzwe kuti varisei.

Me..... Ndonotora mangwana.


Angel.... Undiigirewo hembe dzimwe.

Me..... Haudi kuendawo.

Angel.... Handisati ndave kuda kufa.

Ndakangoseka ndichitambira plate yangu yesadza. Aunty vaive vatopedza kudya. Takadya tikaenda
kunorara. Angel airara naAunty ini ndaitya kuzomuita zvimwe zvinhu nekuti mafeelings acho ungati
aitowedzera.

Mangwana acho ndakamukira kuenda kubasa kwangu zvinhu zvese zvaifamba zvakanaka. Kuma 2
ndipo pandakazofunga kuti zviya ndiri kufanira kunotora foni yaAngel. Ndakapinda munzira
ndichibva ndaenda kumba. Ndakasvika ndichibva ndapaka mota kunze. Ndakapinda ndichifamba
netsoka. Ndakangoti ndichipinda musitting mama vachibva vandimhanyira. Vakabva vatanga
kuchema, ndakangova mbundira. Natasha akabva apindawo akadungamidzana nambuya, Yolanda
naAunty vaishanda pamba. Ndakatarisa mama ndikaona kuti vanga vaonda moyo wangu
wakarwadza. Yolanda akabva asvika achivapushira kure. Ndakabva ndamusundirawo kure.
Mbuya..... Waivepi Daniel?.

Ndakaona kuti ndakapindura ndaisazobva pamba apa ndakangobudisa pen muhomwe ndichibva
ndanyora kapepa kaiti,

Mama voice rangu rakaenda ndakaita accident last week so ndikashama muromo ndinorwadziwa.
Ndauya kuzotora foni yaAngel bye.

Ndakavatambidza kabepa kaya ndichibva ndaramba ndichienda kuroom yaAngel.

Ndakasvika ndichibva ndatanga kutora hembe dzake ndapedza ndakabva ndatora foni yake
ndichibva ndatoita on ipapo, kwakubata muruoko ndave kubuda mumba. Mama vakabva vapinda,

Mama..... Daniel I know you are lying, can you please tell me kuti Angel arisei, no one will here you I
promise.
Me..... Ari muno muHarare mama aive asingataure pese apa but ave nani. Please don't tell any one
mama she will be fine.

Mama ..... I won't but mwanangu why can you just accept Yolanda as your wife kuti musiyane
naAngel.

Me.... Izvozvo zvacho zvemafeelings zvikasatanga zvaziikanwa pazviri kubva, handimborari


naYolanda hazviite coz I have feelings for Angie.

Mama.... Okay kana ave bhoo tombozama kufamba futi but usamubate mwanangu.

Me.... I promise.

Vanhu vakabva vapinda.

Mbuya.......hoo urikunyepera kusataura.


Ndisati ndapindura foni yaAngel yakabva yatanga kurira. Ndakatarisa ndikaona iri new number
ndakabva ndadaira.

Me ..... Hello

Voice.... Daniel my life is in danger, your family doctor, Daniel murume wamama Daniel,......

oooh please don't shoot me.

Hana yangu yakabva yatanga kurova.

Me..... Uripi?

Cee.... Harare, please don't shoot me.

Ndakabva ndanzwa pfuti kurira. Ndakarohwa nehana yakabva yarira futi. Ndikazonzwa izwi rakati
handei tomukanda kudam. Foni yakabva yakata.
Me..... No no no, am going to kill that fake doctor, I will kill him.

Ndakataura ndave kutomhanya ndichienda mbuya vakabva vandibata. Ndakavabata ndikavakandira


pamubhedha zvehasha.

Me.... If anyone, I repeat anyone die in this, I will kill you.

Ndakabva ndatanga kumhanya ndichibuda.......

End of chapter

21

*Continuation of uncomfortable feeling..*


Ndakabuda ndichimhanya ndichibva ndaenda kumota ndichingopinda ndakabva ndafonera Joel,

Joel..... Baba Yekera madii.

Me.... Ma1 shaa. Cynthia afona achiti arikudzingirirwa nematsotsi abva azotanga kuti please don't
shoot me after that ndanzwa pfuti yarira kaviri, uripi?

Joel.... What?,ndiri pasurgery naAngel anga achibaiwa.

Me..... Mirai ipapo ndiri kuuya.

Ndakamutsa mota zvekupenga ndakananga kusurgery. In no time, ndaive ndasvika ndakatambirwa


naAngel achichema.
Me..... Mira kuchema babe. I hope she is fine.

Joel.... Saka todii.

Me..... Ari muno muHarare. Angodeedzera kuti family doctor.

Joel.... Hazvinetsi shaa ngatitsvage vakomana munhu akarohwa chaiko anotaura nyaya dzake.

Me..... Hazvibatsiri shaa tuma investigator tuya twakangonyarara, it seems as if vanotozivana


nemadhara aya isu ngatizviitire basa redu tega. Ngatitsvage toy gun yekungoendesa munhu wedu
kwatoda from there toona yekutamba naye.

Joel.... You have a point handei.


Me..... Not with this car, tora iyo yatakabva nayo kuGweru handiti yakaregistwa muzita
ramudharaka. Isu ngatiite basa.

Angel.... Ndoda kuendawo.

Ndakabva ndafamba ndichienda paaive ndakasvika ndikamubata nemuwaist ndichibva ndamukisa.

Me.... Babe iwewe hauende, ndichakupa basa rako. Iwe unoteerera tracker yefoni yako iyi
uchishandisa foni yangu. Ukaona tanyanya kugarisa tisina kukupa reply wofonera Gwenya mupurisa
uya uya womuudza nyaya. Angel unozofona kana tave ne madays tisingauye. Take this with great
care, uyende kumba kwaJoel don't tell anyone about this even vanhu vekumba vakafona don't
answer manew number unodaira worega kutaura wotanga wanzwa kuti ndiani. Take care babe, I
love you. Hande Joel..

Takapinda mumota ndichibva ndaimutsa tonanga pakashop kandaiziva kaitengesa toy gun takabva
tatenga nemahovhorosi.

Takapinda mumota kwakunanga paprivate hospital yadoctor wefamily, takasvika achitaura pafoni
mota yedu yaive tinted saka takanomira pamberi pemota yake aisakwanisa kutiona. Aitaura achiti,
Him..... Okay thanks ne update rega ndimhanye kumba by 4 ndendatobuda muZim.

Me.... Ndakuenda kwaari ukaona ndasimudza ruoko toenda tonosangana panotangira road
yeMarondera tati budei mutown or unonditeera uri nechekure.

Joel.... Bhoo

Akakata foni ndichibva ndaburuka kwakuenda kumota kuya ndakasvika ave kuvhara door ndichibva
ndaribata. Akanditarisa achibva aratidza kurohwa nehana.

Me..... Gara panext sit.

Him.... Kuti zvidii.

Ndakabva ndabudisa pfuti iya yefake ndikamutendekera, rimwe divi ndaive ndakarivhara
nemucheka.
Me..... Silent gun, choose what you want kutaurirana kana kuti ndokuuraya pano.

Haana kupindura akangoswedera pamother sit ndichibva ndapinda. Handina kutaura naye
ndakangomutsa mota tichibva tatanga kufamba. Hapana aitaura neumwe, tati fambe fambe akabva
ada kutora foni.

Me.... Don't touch that foni.

Him..... Ko handi wati totaurirana here hanty tiri kuenda here ndoda kuudza munhu zvekuita kubasa.

Me..... Handidi kujairirwa handisi shamwari yako.

Ndakananga pasurgery yaJoel ndichibva ndamufonera kuti aburuke mumota yake auye kwandaive.
Me.... Joel ndikuda rope ne kajira now.

Akangogutsurira musoro.

Me.... Boss we are going to that car, buruka wofamba sewakangwara nekuti any mistake
ndokuyendesa handina chekunyengerera pauri, wafa. Ndoenda kunze kwenyika ndonogara naAngel
ndisisadzoke for good.

Akangonditarisa achibva aburuka. Takafamba naye tichibva taenda kumota akasviko pinda
kumashure ndichibva ndapindawo. Pasina nguva Joel akauya netambo ndichibva ndamusunga
maoko. Ndapedza ndakavhara kumeso.

Him..... ko zvawamboti totaurirana wani.

Me..... Not in Harare.


Ndakabva ndatotanga kudembura hembe dzake nechigero chandaive nacho apa Joel aipedzisawo
kusunga makumbo.

Him..... Hembe usabvise chikomana otherwise unozviparira.

Me.... Muvhare muromo.

Joel akabva atanga kuvhara muromo. Ini ndakabva ndatobvisa hembe dzose dzavaive vakapfeka
ndichibva ndadziisa mumota yavo ndakasiya vasina kana pant zvaro. Joel akabva atakura kablanket
kwakuvafukidza. Takabva taisa munhu wedu kuboot. Ndakaenda kumota kwavo kwakutora foni
yavo ndichibva ndaenda nayo kumota kwangu. Ndakateedzera pattern yaibudikira pascreen
ikavhurika foni. Ndakabva ndatomutsa mota Joel achiteera neya mudhara vaya. Ndakabva
ndatochinja password kuti ndisazotambure.

Takanosiya mota yemudhara pahotel mukati takasiya talocka madoors ese tichibva taenda zvedu.
Joel ndiye aive ave kudriver akananga paMarondera. Ndakabva ndatanga kubaya foni iya
ndakatanga nekuma foni calls ndichingotarisa ndikaenda kumapics ndichibva ndaona pic raCynthia
akarara muchipatara. Ndakabva ndatarisa kwakuona kuti raive rabva kuapp. Ndakaenda kuapp
ndichibva ndatanga kutarisa chat raive nepic riya. Ndakabva ndaona chat renew number yaive
yakasendwa pic raCynthia rakangonzi am about to inject her.
Ndakaita kunzwa hasha.

Me.... Famba shamwari tofanira kunosiya mudhara uyu tidzoke. Tozomutocha manheru bye then
ndofanira kunge ndatosiya foni iyi.

Joel akabva awedzera speed. Ndakabva ndasenda sms kunumber iya ndakangoti,

Me....Madii.

Aive online saka akakasira kupindura.

Him..... Tamukanda mudam now on my way to Boss's house vanoda kuuraya mai vacho nehanzvadzi
nhasi. Wadii wazobudirira kuenda here?.

Me.... Bho on my way to the airport. Anogarepiko mudhara uya.


Him..... UK but I think arikuitira basa kumaraini kwako ndokune imba yake muno muZim.

Me... Hoo anogara papi.

Him.... Paimba ye green so pedo nepama shops shaa bye ndichauya wondiitira madeals aye.

Akabva atobva online. Ndidzo nguva dzandakasvika pamba pangu, Joel ndaimudza zvese
zvataitaurirana.

Takaburuka tikaburutsa doc tichibva tavaisa muspare. Ndakabva ndavasungirira pazisimbi randakaisa
imomo ndakanyatso maker sure kuti maisave nezvinokuvadza. Ndakabva ndakiya door
kwakudzokera kumota.

Joel..... Todii manje?.


Me... Rega ndifonere muchembere nefoni yamom andiudze kuti doctor vanogarepi.

Ndakafona tatove munzira kuenda kuHarare, yakadairwa vachiti,

Mama..... Angel mwanangu.

Me..... Mama ndini murisei.

Mama..... Daniel handidi ngozi.

Me..... Mama anogarepiko doctor wenyu.

Mama.... KuHatfield, chii Daniel?


Mbuya.... Unomuudzirei kunogara doctor ko akaita zvimwe ikoko, iwe Danere, Danere.

Ndakabva ndatokata foni. Mota yakafamba zvekuti munguva diki diki taive tatove paHatfield. Luckily,
ndakafamba nemunhu ainyatsoziva nzvimbo hatina kutora nguva taive tasvika.

Joel..... Then what?.

Me.... Ndikupinda mukati iwe sara.

Joel..... Unofa shaa zvoda police izvi.

Handina kupindura ndakangoburuka ndichibva ndafamba ndichienda pagate. Ndakaona rakavharwa


ndichibva ndaita zvekujamba durawall zvinyoro nyoro.
Ndave mukati ndakabva ndatanga kufamba ndichiswedera pedo neimba. Ndasvika padoor
ndakanzwa kurira kwepfuti but zvaisanyanya kuita sound. Ndakabva ndavhura window randakaona
kuti raive risina maburglar bars ndakapinda ndichibva ndavhara. Ndakabva ndatanga kufamba
ndichienda kwaive nevanhu. Ndainzwa munhu aitaura exactly like me ndakasvika ndichivhura door
zvishoma nezvishoma. Ndakabva ndaona murume aive akabata pfuti ndakatoona kuti aive ave kudà
kupfura ndakaita wekujambira tichibva tanowira pasi tese pfuti iya akapfura pawindow ichibva
yadonha ndakasimudza pfuti iya ndikatengekera mudhara uya.

Tese takashamisika tichitarisana kudai mudhara wandaive ndakatendekera pfuti aive photo copy
yangu. Aive aine mark pahuma same mark yandaive nayo maitiro ake akasunga kumeso same way
ndezvandanoita.

Ndichiri mukunetseka makabva mapinda varume 4 vaive vakabata pfuti ndakabva ndatendekerwa.
Ndipo pakatanga hana yangu kurova manje ndave kudemba chandaive ndauyira. Mudhara uya
akabva ati,

Him.... Hamusisina mabara imomo chikomana.

Ndakazama kupfura ndichibva ndaona kuti maive musina zvesure. Varume vaive vapinda vakabva
vatanga kuseka. Hana yangu yakawedzera kurova ndichiona.....
End of chapter (2020)

22

Continuation of uncomfortable feeling..

*NB*: *This book is ON SALE*

Murume uya wekufanana neni akaramba akangonditarisa neni ndaive ndakango mutarisa
ndichizama kudà kufunga kuti ndine hama yakafanana neni here. Ndiri mukufunga kudero, mudhara
uya akabva atanga kubudisa misodzi akanditarisa. Akabva asimuka zvishoma nezvishoma
akangonditarisa. Achingomira akabva andimbundira, ndakaita wekusundira kure achinorovera.
Umwe wevarume vaya akabva asimudza pfuti zvekuda kundi pfura. Zvikanzi nemudhara uya,

Mudhara.... No don't.
Ndakabva ndatarisa mai vaive vakagara pasi nemusikana aivepo ndichibva ndati,

Me.... Mai Cynthia right.

Her.... Yes.

Me.... Ndauya kuzotora imi ndiri hazvanzi yaAngel, shamwari yemwana wenyu.

Vakaramba vakanditarisa vachiti vakatarisa ini votarisa mudhara uya.

Mudhara..... Saka Lisa wakandinyepera.

Lisa.... Nyasha handimuzive ini.

Me ..... Haisiyo nguva ye nyaya ino.


Ndakataura ndichisimudza mukomana aive akati rabada pasi. Ndakabva ndamuisa pafudzi
kwakubata Mai Chris ruoko tave kubuda. Varume vaivemo vakabva vada kuti bata zvikanzi
nemudhara uya wandaive ndazoziva kuti ainzi Nyasha,

Nyasha..... Vasiyei.

Pakarepo mujuzi ramai Chris makabva madhonha pic raCynthia. Nyasha akamhanyira kunhonga pic
riya achingoritarisa akabva atanga kuhuta zvaionekwa nemunhu wese.

Nyasha.... Lisa ndiani uyu.

Lisa.... Wauraya mwana wangu Nyasha.

Nyasha..... Ndi...ndi...ndiye Cynthia.


Ndakakakata mai Chris tichibva tabuda vasina kupindura. Tichangobuda takanzwa vachiridza mhere.
Ndakasvika pagate ndichibva ndasheedza Joel akauya ndichibva ndaisa mukomana mumota, mai
Chris ndivo vakagara mberi ndiri mumota imomo ndakabva ndatanga kufunga mudhara wekufanana
neni uya. Misodzi yangu yakaerera handizive nei. Takananga kumba kwaJoel tichibva tawana Angel
achiita kuzviuraya nekuchema. Achingoona Mai Chris akaita vekuvasvetukira. Joel aive afonera mota
yakauya nemishonga yekufana kurapa Chris. Chris akaiswa muroom achibva atanga kurapwa.
Ndakapindawo ndichibva ndatanga kutaura naJoel.

Me..... Yakadii condition yake.

Joel.... Uyu anorarama zvisina kana mubvunzo apfurwa ruoko saka anoita bho asi dai tamunonokera
aifa.

Me.... Good but it's not safe kuti agare muno manje.

Joel.... Tomuendesa kuGweru izvezvi ndikapedza zvandiri kuita. But haamboiti 24 hours asina
kumuka uyu very soon tetakuita nyaya.

Me.... Bhoo shaa njere dzangu dziri kubhoila zvezvi.


Joel.... Chii?

Me.... Mudhara wandaona mumba muya kuita chitupa changu plus nyaya yaCynthia.

Joel..... Ndafunga shaa kuGweru hakuna munhu anogona kurapa izvi plus ndikaenda unosara wega.
Ndafunga kufonera umwe muface wandakadzidza naye anogara muMasvingo ane Surgery imomo
zvakadii.

Me.... Thus good plus Gweru namuchembere vako Mai Cee havanganogare nerugare.

Joel.... Unoda kuti vaende.

Me.... Yes vese naAngel ndikuda kumboita basa shaa.


Joel..... But wakashinga shaa usina pfuti.

Me.... Chivindi chandangandiinachoka, hameno kuti chabvepi izvezvi ndiri kunzwa kutya nezvaitika.

Joel.... Ngatiite DNA shaa.

Me .... Time yacho handina dakumbotsvaga Cynthia chero akafa ndikuda kuona body yake.

Joel..... Cynthia haafe shaa, I love her.

Me... Saka chiita semunhu anoda munhu.

Joel......ndafonera mota anoenda naye inosvika within 20 minutes.


Me ..... Sharp rega ndione muchembere.

Ndakapinda mumba maive namai Chris. Vakabva vanditarisa in ndakakasira kudzora maziso. Angel
aive akarara pamakumbo avo achichema. Ndakasvika ndikagara paopposite couche ndichibva
ndatanga kutaura.

Me.... Angel huya pano.

Akasimuka achichema akasviko gara padivi neni. Ndakabva ndamukakata ndichibva ndamuisa
pachipfuva changu.

Me.... Manje unono nyaradza mama sei kana uchichema so, ndoda kuti mumbonogara Masvingo.

Mama..... Nyasha ave kutoziva kumba mwanangu mangwana chaiye toswera tadzokera kwaari.
Me.... Hamuende kumusha moenda kutown munenge muchinoona Chris kusvika apora.

Angel.... Ko iwe.

Me..... Ndoda kunotsvaga Cee.

Angel..... Saka tiri kuenda tega.

Akataura zvekuyema zvakaita kuti ndimbokanganwa kuti pana mai Chris ndakabva ndamukisa
paforehead ndikazoti,

Me ..... Sorry mama

Mai Chris.... Ehoi.


Me..... Angel handidi munhu anoyema. Ndinengendichiuya kuzo kuona don't worry handi.

Angel ..... Ko vakauya baba vaCee.

Me.... Havambozive kuti ndokwamuri plus trust me Angel, inga unondiziva wani asi haudi kuti
ndinotsvaga Cee.

Angel.... Ndoda asi ndandichida kuenda kunogara kuMarondera.

Me..... Ndokwandoda kuitira basa.

Angel.... Basa
Me.... Yes.... Ndokwandoda kurovera vanhu so it's safe kuenda kuMasvingo ndaneta nekurarama life
yandisingade shaa.

Angel..... Okay

Me.... Mama ndakumbo kuendesai kuMasvingo ndichapota ndichiuya plus pane munhu achange
akakutarisai handiti.

Mai Chris..... Mwanangu chekukutenda nacho ndicho chandisina.

Me.... Mufaro wenyu kutenda kwakakurisa, Angel huya ndikuone.

Ndakasimuka ndichibva ndaenda kuroom yandairara kana ndiri pamba paJoel. Ndakasvika ndikagara
pasina nguva akabva apinda. Ndakabva ndamutambidza card rangu rekubank nemari.
Me.... Mari iyi monotengera mama hembe naChris, musaende kumusha. Makeys emota yangu aya
ndiyo yamunenge muchifamba nayo handiti rent mamakabhadhara kusvika Feb, munonowedzera
imwe futi.

Haana kupindura asi akabva atogara pamakumbo.

Me.... Unoziva here kuti ndinopara ngozi nezvauri kuita izvi.

Angel.... Yei.

Me.... Ndanyarara hangu chisimuka.

Angel ..... Aaaa


Ndakabva ndamukisa paruoko ndikasimuka ndichimugadzika pabed ndichibuda. Ndaiziva kuti I made
a promise kuna mama and I didn't want to break that promise. Ndakadeedza aunty kuti
varongedzere vana Angie zvinhu zvishoma shoma nekuti mota yaive yave kutosvika.

Mai Chris vaiti vakandiona vaibva varamba vakanditarisa kuita sekuti pane chinhu chiri pamuviri
wangu chavatanga kuona musi iwoyo, ndakangosiyanawo nazvo.

Mota yakazosvika vakatakurwa vave kuenda kuMasvingo. Zuva raive richangopinda muna mai varo.
Takapinda mumota naJoel tonanga paMarondera.

Moziva upenyu hunokudzidzisa zvinhu zvakawanda ndaisambo funga kuti ndichatombosunga


munhu ndichimurova ndaive munhu asingadi zvenoise asindaiti ndikatsamwa, kufara kwacho
kwaitonetsa. Kazhinji munhu aiunza mufaro wangu ndiAngel. Ndaiti ndikamuona chero
ndakatsamwa zvaibva zvapera. Ndiri munzira kuenda kuMarondera, ndakatungidza foni yangu ndine
zvandaida kutarisa. Pakarepo yakabva yarira ndikaona vari bamukuru. Ndaisada kudaira asi Joel
akandimanikidza kudaira.

Me... Hello.
Bamukuru..... Ko iwe unogotora munhu uchinosiya kuMarondera kure kwakadaro wanga uchida
kumuuraya munhu akakugamuchira kubva mudumbu ramai vako.

Ndakarohwa nehana kushaya kuti zveMarondera vaive vazviwanepi.

Bamukuru.... Nyarara hako asi ndati ndikuudze kuti ndatovatora Doc vatoenda kuSA kwavanga
vachida kuenda iwe chitouya kuno naAngel titaure zvinopera.

Ndakaita kuvira nehasha ndakabata foni. Joel akabva ataura zvakandityisa,

Joel.... Ko gate rakashama wani.

Ndakasimudza musoro ndikaona rakashama zvechokwadi mota yakamira ndika mhanya kudoor.
Ndakabva ndaona kuti raive raita zvekugwejenurwa.
Pakarepo ndakabva ndamhanyira kunotarisa mubedroom mangu ndimo maive nezvinhu zvangu
zvese zvakakosha ndakawana door rakashama. Ndakabva ndatarisa mapepa edzimba nezvimwe izvi
ndikaona pasina. Ndakaita kuvira nehasha ndichibva ndatora foni ndave kufonera mudhara wangu
(bamukuru)

Bamukuru...... Ndaziva kuti uchafona zvako kana uchida zvinhu zvako Angel ngaauye mangwana
anoenda kunoroorwa.

Ndakaita kuvira nehasha ndikabva ndakata foni iya. Angel ndaimuda nemoyo wese. Pakarepo
ndakabva ndafunga rimwe bepa rangu raive rakakosha randaida kuzoshandisa in 2 days time bepa
iroro raizochinja life yangu. Ndakatarisa ndikaona pasina. Ndakaita kubata musoro ndakagara pasi,
izvi zvaitoreva kuti Angel aifanira kunoroorwa to save my life sure nekuti ndaizofira mujeri nebepa
iroro........

End of Chapter (2020)

23

*Continuation of uncomfortable feeling..*


Kana uri padambudziko pfungwa dzinombomira kushanda kuti unyatsofunga zvinoita kugadzirisa
dambudziko. Handina kumirira kufunga ndakabata foni ndichibva ndafonera Angel,

Me..... Angel where ever you are dzokai.

Angel.....ko chii?

Me..... Ngatisangane kumba kwaJoel.

Angel.... What?

Me..... Izvezvi pane zviri kuitika.


Ndakabva ndatoti kuna Joel hande. Akangopinda mumota achibva amutsa mota tave kuenda.

Joel..... Urikumhanya kuita decision.

Me..... My life will be in danger shaa. Vanhu vanobva vatofunga kuti ndini ndakaba gold racho.
Remember those papers were going to be my witnesses in court kuswera mangwana, and after that
ndaizopiwa mari yekuti sorry takakunyepera. Now ndikaenda kujeri and mari iyoyo chero ndikadii I
can't raise it Joel, gold racho rangarakawanda value yacho ndototya kuitaura.

Joel..... Pakaipa

Akarova mota ndichingofunga kuti ndodii. Foni yangu yakabva yarira zvekare.

Bamukuru.... If you are making a decision ita izvezvi nekuti Angel anofanira kukumbirwa mangwana
na6 makuseni muchato woitwa day recourt sezvo court irikusitter na1. Muchato unofana kunge
watopera uchienda kucourt, Angel achibviswa umhandara nemurume wake.
Foni yakabva yakata misodzi yangu yakatanga kuyerera I didn't want her to go that way. I really
loved her.

Joel..... Pakaipa todii.

Me..... She must get married.

Joel..... Kana court yapera.

Me..... I love her.

Joel..... Ko ma investigator ako akazodii?

Me.... Shit those guys, I paid them.


Ndakabva ndatofunga kufona. I called ichibva yarira pekutanga ikasadairwa then per chi2 yakabva
yadairwa naBamukuru..

Bamukuru...... Vachiri kuinvestigator hopefully, they will come back to you.

Vakabva vatanga kuseka ndakarwadziwa kusvika pamongo chaipo. Ndakabva ndatanga kuchema.

Kunze uku kune vanhu vane moyo yakaipa naMwari kudai. Ndakabva ndanzwa kuvenga bamukuru
zvakanyanyisa. Takapinda mutown Joel achibva afonera vana Angel vakati vaive vavapambudzi
kupinda mutown vakabva vati Chris aive amuka. Joel akavati tisangane kusurgery then tozoenda
kumba ka1 arapiwa. Takafamba tikanoenda pasurgery iya. Tichangosvika ndakanzwa foni yangu
kurira ndakatarisa ndichibva ndaona pakanyorwa kunzi Gono hana yangu yakabva yatanga kurova
nekutya. Ndiye aive muridzi wegold raive ranzi rashaikwa pamine. Ndakazengurira kudaira call yake
ikasvika pakukata ichingorira. Pakarepo akabva asenda Sms,

� Zvawakuita izvi zvave kundiratidza kuti you are guilty but let me tell you 1 thing, watambira
kusingatambirwe.
Ndakabva ndatanga kutya coz that man is rich and achizivana nemadhara emari akawanda. Joel
akabva auya neimwe fungwa,

Joel.... Ko wadii kufonera mudhara nhai iwe, remember vanoseenza kucourt. It can be postponed
very fast tichiita plan.

Me.... Thank you shaa.

Ndakabva ndatanga kufona foni iya isingadairwe. I ended up calling mama haina kunonoka kudairwa
asi voice ravo rainzwika kuchema. Mashoko avakazotaura ndiwo akandikandisa mapfumo pasi,

Mom.... Hesi Memory, wazotaura nemunhu uya here shaa, ndogona kungorambwa nemurume. You
know his family is my only family and the only relatives that l have Memo, please do something.

Me.... Mama what's wrong?.


Mom.... Jesus, it's you.

Foni yakabva yakatwa ndakakasira kufona futi asi yaive yatodzimiwa.

Me..... What's going on with my life Joel.

Joel..... Ko wadii kuita vekunoona mudhara.

Me.... Vanhu varara shaa obvious mudhara vakangomuka munhu wese otomuka ndiko kunana
bamukuru.

Joel.... Vanomboita nezveiko vaya.


Me.... Vano chinja mari nekumbotengesa mabhero.

Joel..... Yaa zvinhu zvavari kuita vanogona kunge vari kuda kudya mari.

Me.... Kuti kudaro here.

Joel.... Yes try kuvaudza kuti unovapa imba nezvimwe zvinhu kuti vadzose mapaper.

Me.... Okay vana Angel vasvika avo ngatione Chris tobva taita zvinoteera.

Takaburuka tikatanga kufamba tichienda kumota kwaive nanaAngel. Mota yavo ichingo mira Angel
akabva amhanya kuzondimbundira.
Angel.... What's wrong Daniel.

Me..... Am in big trouble.

Misodzi yangu yakabva yatanga kubuda. MaNurse aitakura Chris achimuisa mukati. Mai Chris vaive
vakanditarisa kumeso chaiko.

Me.... Tawana doc vaya vasisimo mumba.

Misodzi yangu yakabva yawedzera kubuda. That was my first time kuchema mulife yangu. Nyaya iyi
ndaiziva kuti kucourt kana vatondinzwira tsitsi vaigona kundipa 40 years If not life in jail nekuti aive
andirongera zvese izvi aive akangwara zvekungwara zviya. Ndainzwa kuti muviri wangu hauna simba.

Angel.... Asi varepotar kumapurisa, ko abudiswa nani.


Me..... That was better Angel dai vango reporter zvaitondibatsira kunotaura nyaya yese kupolice
even zvekushaikwa kwaCee.

Ndaive ndakunyatso chema, uyu Joel aive apinda mukati naChris.

Mai Chris.... Handei togara apo mwanangu.

Vakataura with a soft voice zvekuti ndakatanga kunzwa kuti at least I have a shoulder to cry on.

Vakandibata ruoko tichibva tafamba tichienda paiva nebhenji ndakabva ndagariswa pasi vakagarawo
rimwe divi Angel rimwe divi ndakatanga kupuruzirwa musana vachibva vandibata musoro vakauisa
pashoulder ravo and for a moment, I felt mother's love ndakanyatsonzwa kuti I have found love, I
mean mother's love. Vakabva vatanga kundipuruzira vachitaura neni zvinyoro nyoro.

Mai Chris...... Daniel mwanangu, I want you to know that everything that happens in life happens for
a reason my son.

Me..... For what reason mama, this is to much.


Mai Chris..... (Vakandibvisa pashoulder vachibva vandiita kuti ndivatarise) Are you not a man?.

Me.... Am a man mama.

Mai Chris..... A man has to strong, isn't it?.

Me..... Ndizvo.

Mai chris..... Just know that in everything, I will support you.

Vadaidza Angel akasimuka achibva anogara rimwe side. She kissed my forehead and did the same to
Angel and I felt loved.
Mai Chris.... Now tell me, what's bothering you?.

Me..... Mom, bamukuru vangu vauya vakabudisa suspect yangu panyaya yaCee then vabva vatora
mapaper eproperty yangu yese including rimwe bepa renyaya yekubasa kwangu. Kubasa kwangu
kwakabiwa gold riri worth over US$800 000.They are suspecting me. Proof ndakaiwana nezuro
mama and I will never find another proof. I don't know what to do.

Angel..... Wavaudza here bamukuru vacho kuti vakatora bepa rakakosha.

Me.... Yes and he said vanoridzosa on 1 condition.

Mai Chris..... Which is?

Me..... Angel anoroorwa mangwana ochata kuswera mangwana orara nemurume wake then
ndopiwa mapaper zvese izvi zvofana kuitwa before 1 kuswera mangwana coz court iriko kuswera
mangwana.
Angel..... What? No and never, Daniel you know very well that I love you wholeheartedly.

Mai Chris vakabva vatiregedza zviya zvekupererwa zviya. Vachibva vatsikitsira vakabata musoro.

Me.... Ndikaenda kucourt ndinopiwa over 40 years in jail or life in jail.

Angel.... Akabva atanga kuyeredza misodzi akasimuka achibva atanga kufamba achida kubva
ndakakasira kusimuka ndika mubata ruoko. She turned around achibva andipa a big hug achibva
atanga kuchema.

Angel...... I love you Daniel, I love you.

Me.... I Love you too.

Angel..... Promise me that you will never allow anyone to take me away from you.
Ndakaramba ndakanyarara ndichishaya zvekutaura, Mai Chris ndivo vakazosimuka vachibva
vamutora pandiri vakamumbundira.

Mai Chris..... Don't worry dear, we pray for your good destiny today kana tave kumba.

Angel...... I love him mama.

Mai Chris...... I know my dear.

Amheno chakangoita kuti ndicheuke ndakabva ndaona 1 wevarume vaive kumba kwaNyasha that
day, aive akamira akatitarisa achiita sekuti pane zvaari kuda. Ndakanzwa hasha ndichibva ndatanga
kufamba ndichienda kwaaive. Akabva akwira pamotor bike akaenda. Ndakazama kufunga kuti
murume uyu aive aisvika nebike nguvai nekuti ndaive ndisina kumbonzwa bike. Ndakabva ndatanga
kurohwa nehana ndokadeedza vana Angel kuti tipinde mukati tinotarisa Chris. Ndichingopinda
ndakabva ndaona........ Ndikatanga kutya pamwechete nekurohwa nehana...
End of Chapter (2020)

24

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Ndichingopinda ndakabva ndaona umwe futi wevarume vandaive ndaona kumba kwaNyasha.
Ndakabva ndatanga kutya pamwe chete nekurohwa nahana, ndakabva ndafambisa ndichienda
kwaive naJoel, murume uya akanopinda mumota achibva aenda. Ndakasvika ndikaona Joel ave
kutobuda kuti auye kwataive. Ndakamutarisa akaratidza kuti hapana chaaona, ndakabva ndatya
kuvhundutsira vanhu ndichibva ndanyarara nyaya yacho.

Me..... Avesei?

Joel.... Amborara ndamupa pill wazodii namudhara wako nyaya yekumupa imba kana mari.
Me.... Ndomupa ipi chero yaanoda after all, you are being paid after all these dramas.

Me.... Fine rega nditofona.

Joel..... Handei kumota tonozviita tichienda kumba nguva dzaenda idzi we need to rest for
tomorrow.

Ndakafamba ndichijusa foni yangu kuenda kumota. Ndakasvika ndikagara mberi, mama naAngel
kumashure Joel ndiye aizo driver. Ndakabva ndatanga kufonera bamukuru,

Bamukuru..... Hello

Me..... Maswerasei mudhara.

Bamukuru..... Eee hanzii.


Me..... Ndokumbirawo kuti ndikupei mari kana imba mondidzosera bepa rangu rekubasa.

Bamukuru..... Ndati ndiri kuda kuti Angel aroorwe mangwana.

Me..... I think there is no point in forcing her to marry someone she doesn't love.

Bamukuru.... Saka anofanira kuroorwa newe?.

Me.... Am not saying that, she is my sister and it's taboo to marry her, but her happiness matters in
this.

Bamukuru.... Sounds like hautodi kuti awanikwe neumwe munhu.


Me.... Handina kumbodero ini.

Bamukuru.... Kana usina kudero, come with her tomorrow first thing in the morning.

Me..... Bamukuru ndokupai chero imba yangu yamunoda.

Bamukuru..... Hoo ndiwe uya wekunyepera kusave nechinhu.

Vakabva vatokata foni. Ndakaita kuyeredza misodzi.

Angel..... Vatii?
Me..... Vanoda iwewe.

Joel..... Ma1 but what's the point in forcing her to marry someone.

Me..... Ndiri pama1.

Joel..... I think we need aDNA test Daniel.

Angel.... We have to find Cee first.

Me.... Thus true.

Joel.... Okay then what, ndivo vane yese iyezvino.


Ndisati ndapindura foni yangu yakabva yatanga kurira. Ndakatarisa ndikaona vari bamukuru
ndakadaira this time yaive paloud.

Me.... Hello baba

Bamukuru..... Kana wafunga kubhadhara unobhadhara nedzimba 2, imwe yekuZIMRE iyi


neyekuMarondera.

Ndakaramba ndakanyarara, guys dzimba idzi ndaidzida nemoyo wangu wese I didn't want to lose
any of them. YekuMarondera was my first house, ndakaitenga ndichiri kuchikoro ndakatanga
business ndiri form 6 pasina aizviziva. Ndava pagore rekupedzisira kuschool of mines, ndakabva
ndatenga kaimba kangu so ndingangoti yaive imba yeziya, yekuZIMRE was my favourite
yandaitarisira kuzogara kana ndaroora.

Bamukuru..... Kana musiri kuda ndokata hangu.


Me.... No wait ndoda.

Ndakataura zvekumanikidzira there was no choice, hapana chandaikwanisawo kuita.

Bamukuru..... Good, we will meet in town na7 mangwana, I will come with the papers.

Me.... Okay

Ndichingokata foni ndakatanga kuchema munhu wese aive anzwa zvaive zvataurwa saka
vaingondinyaradza.

Joel..... Don't worry uchiri mudiki you will buy another house.

Me..... Imba yangu yekuMarondera ndoida Joel thus mu favourite you know that.
Joel..... And Angel.

Me.... I love her more than my everything.

Joel.... Love is all about sacrifice.

Tese takabva tanyarara mota yaive yave kupinda mugarage taive tatosvika.

Joel..... You need to be strong Daniel.

Ndakaburuka mumota ndichibva ndafamba ndichienda mumba. Handina kana kumboita zvekudya
ndakananga mumba mandairara. Ndakazoona Mai Chris vateera nechikafu. Vakasvika vakagara
vachibva vandimutsa ndakamuka coz ndaiva farira and hameno zvandaingonzwa so kana vari pedyo
neni. Vakabva vatanga kundidyisa chikafu maziso avo aive akatarisana neangu zvekuti ndaitadza
kunzwisisa zvaiitika ndaiti ndikavatarisawo vaibva vanyemwerera ndobva ndangonzwa kuti am with
someone I love. Ndakadya chikafu chese ndikapedza.

Mai Chris..... Good boy Daniel, I think I told you that everything in life happens for a reason, be
strong for Angel's sake.

Me..... Ok mom

Mai Chris.... You know kuti akabva muchipatara soon she needs to rest handiti. Be strong for her
izvezvi aramba kudya. I have to go there kuti ndinomumanikidza.

Me..... Thank you for caring mama.

Mai Chris.... Ibasa rangu samai don't worry.


Me.... As long as l am alive, Cynthia will come back.

Mai Chris.... I trust you, goodnight.

Vakabva vasimuka vakaenda ndakasara ndikatobatwa nehope. Ndakabva ndarota Nyasha achirohwa
neumwe mukadzi wandisina kuziva asi mukadzi wacho aive akafanana naCee pachiso. Aingomurova
chete kusvika ave kubuda ropa moyo wangu wakabva watanga kurwadza ndichiona achiita kugwinha
nekurwadziwa. Ndakabva ndamhanya ndikanosundira mukadzi uya kure ndichibva ndasimudza
Nyasha. Kwakumugeza ropa riya, ndichipedza ndakasimudza musoro ndichida kubvunza mukadzi uya
chaairovera Nyasha. Ndichingo mutarisa akabva asimudza ruoko achinyemwerera achindiita bye bye
ndichiri kuda kubvunza akabva anyangarika.

Ndakapepuka hana yangu ichiita kurova ndichinzwa kutya kwakanyanya. Ndakatarisa nguva
ndikaona 6 yatochaya ndakabva ndada kumuka ndikaona door ravhurwa vakapinda Mai Chris
nendiro yaive neporridge rine dovi apa rainhuwirira sei.

Mai Chris.... Wamukasei mwanangu?.

Me..... Am okay mama mamukasei, ko mazvinetserei nekuuya.


Mai Chris ..... Ndati zvikasire usazononoke kuya.

Hameno kana uchizvigona zveporridge iri.

Me.... Maita basa mama ndorifarira chaizvo.

Mai Chris.... Chidya, wofanondipa zvauno pfeka nditsike tsike.

Me.... Mama mave kutozvinetsa imi ndongopfeka dzakadero.

Mai Chris..... No no no ko in ndoita rei basa.

Ndakangozo vatambidza ndaona kuti nyaya yacho yaisazopera. Vakabuda vakaenda ndikasara
ndichidya porridge riya. Gare gare Angel akapinda akabata hembe dzaive dzakato

ainiwa.
Me..... Hi my Angel, ko wamukirei usiku?.

Angie..... Ndangandichidya porridge rabikwa namom.

Me..... Ko vapa munhu wese.

Angel.... Yes tese.

Me..... Good mom

Angel.... I love her.

Me...... Me too.
Angel..... Hanzi hembe idzi chimuka uende kutown kuya.

Ndakabva ndatomuka ndichibva ndambopiwa kahug naAngel kwakuenda kunogeza after that
ndakapfeka ndichibva ndabuda kwakutosangana naJoel atopedza kugadzirira kubuda.
Takamhoresana umwe neumwe achibva apinda mumota yake toenda kutown.

Ndakasvika kutown ndikawana bamukuru vatondimirira. Takaita zvese zvaidiwa ndichibva ndavapa
dzimba vaiita kufara mufaro wacho unosvika kugotsi. Ndaive ndakangosuwa zvangu. Takapedza
process yese dzimba dzese 2 dzaive dzave muzita ravo, vachibva vatanga kutaura zvavaida.

Bamukuru..... Wotoona kuti wabvisa zvinhu zvako kumba ikoko nekuti ndiko kuri kuzogara tete
hanzvadzi yangu then kuZimre ngavabve futi tikuda kutama a day after tomorrow.

Vakataura vachipinda mumota yaive yamira pedyo navo.

Me..... Ko mapapers aya bamukuru?.


Bamukuru...... Ndakakuudza kuti huya naAngel aroorwe this is just my bonus. Vakwasha varikuuya
manheru kuzoroora akarega kuuya mapaper ako ndiri kupisa first thing tomorrow morning.

Mota yakabva yasimudzwa vave kurova pasi.......

End of Chapter (2020)

25

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Kufamba kwakaiita mota ichibva pandaive kwaiita kuti ndinzwe hana kurova ichiwedzera
zvichienderana nemafambiro ayaiita. Ndakapedzisira ndave kufemera pamusoro, mota yakazonoti
pote ndichibva ndadonha pasi. Vanhu vakatanga kuuya pandaive ndiri vakatanga kundibvisa
zvandaive ndakapfeka kumusoro,

Voice.....fonerai ambulance.
Me.... Am fine ndibatsireiwo kupinda mumota iyo.

Ndainyatsonzwa kuti muviri wangu wati rukutu. Ndainzwa kurwadziwa muviri wese. Musoro waiita
kutenderera ndichingonzwa mashoko aBamukuru ekuti,

*This is just my bonus*

Ndaitadza kana kufunga mushe mushe, ndakatakurwa ndikanosiiwa mumota ndakabva ndagara,
vanhu vakatanga kufamba vachienda. Ndakanyatsoona vision yaBamukuru vachi signer pfuma yangu
kuti ipinde mumaoko avo. Ndakanzwa kudedera muviri wese. *Bonus* pfuma yandakabudira ziya
ndakademba nechandaive ndichaendesera doc kumba kwangu.

Bamukuru vaikoshesa kudya kuvaka chaiko vaive vasina kana stand yemutown asi vaida upenyu
hwepamusoro. Vailoja imba yese apa yakazara nezvinhu chandaiziva ndechekuti bamukuru vaida
zvinhu zvekuonekwa nekuzviita munhu wepamusoro ivo vasina chavainacho.
Vaishandisa imba ine marooms 8, voti vasikana vebasa vaviri, voti mota mbiri yavo neya mom,
mumba macho maingochinjwa chinjwa furniture vachiisa zvinhu zvinyowani. Kupfeka vaipfeka
hembe dzinobva kuChina, Dubai kana kune dzimwewo nyika vaichena zvekuti wega waishaya kuti
mukadzi wa minister vapi kana kuti ndi minister ani.

*Chandakaona muupenyu ukakasira kudà zvepamusoro unokasika kuzodonha. Ukaverenga mari


yese yaibhadharwa nabamukuru yerent ka yaive yakawandisa ivo vari vashoma Shoma pamba pacho
zvekuti vaigona kungotsvaga 4 rooms vogara vobvisa futi umwe musikana webasa vosara ne1
votengesa imwe mota vosara ne1, votengesa chero imwe yefurniture mari yose iyoyo dai
vaiibatanidza vaitotenga kamusha kavo vaitovaka nguva ichiripo nekuti bamukuru vaive vakura,
zvino vaive vaona kuti zvekushanda vakakonewa voda kudya zveziya revamwe.*

Dzimba dzangu ndaive ndadziwana nekushingirira. Ndaifunga ndakagara mumota, ndakabviswa


mundangariro nekufona kwakaita Bamukuru ndakadaira ndiine hasha,

Me..... Mukudei?

Bamukuru...... Remember the court day is tomorrow. Huya naAngel na3 manheru ezuva ranhasi.

Foni yakabva yakatwa ndakaita kubuda ziya ndikadikitira zvakanyanyisa. Chekuita ndicho
chandaishaya. Pfuma yangu yanga yaenda yes, izvo ndaigona kuzvitambira ko Angel wangu nhai
Mwari. Angel ndaimuda kwete zvekufungidzira ndaisada kuona munhu padhuze naye uye ndaive
ndisisina basa nekuti yaive hanzvanzi yangu ndaingomuda zvakadero. Ndakatsikitsira ndakaisa
musoro pa steering misodzi ichibuda. Mashoko akadai ndainomataura sei kucourt nhaimi.
Ndakatanga kuyeredza misodzi ndichifunga nezveupenyu hwangu. Handina musi
wandakambofarawo nemunhu wandaida upenyu hwedu hwaingove dambudziko after dambudziko.
Angel achipotsa afa kakawanda. How am I going to convince her nhai Mwari. If I didn't convince her
that means ndaizonofira kujeri without Angel. Vana bamukuru vaizosara vachiita zvavanoda.
Ndainzwa kubaiwa pakati kati pemoyo wangu pain yacho ndaisagona kuikurira. Ndakasimudza
musoro ndichida kuti nditarise mvura. Ndakatora mvura iya ndichibva ndatanga kunwa ndipo
pandakasimudza musoro ndikasanganidzana neumwe wevarume vandakaona kwaNyasha. Aive
akanditarisa apa achibaya baya foni yake. Ndakanzwa hasha ndichibva ndamutsa mota ndave
kuenda kumba.

Ndichangobuda mutown ndakanzwa foni yangu kurira ndakatarisa munhu aifona kwakuona ari Joel.
Ndakabva ndatanga kunzwa shungu dzakawandisa. Misodzi ikatanga kubuda ndakadaira foni iya
ndikaiisa paloud apa ndichichema zvinonzwikwa.

Joel..... Daniel ko chii?

Me..... My life Joel, am useless now.

Joel..... Uripi?
Me.... On way home.

Joel...... Drive safely, ndave kuuyawo usasvike paden unondimirira pamashops totaura.

Me.... Bhoo

Akakata foni ndichibva ndaramba ndichifamba ndichienda, ndaitadza kana kuona road misodzi
ichiyerera.

Ndakapedzesera ndamisa mota munzira ndichibva ndafonera Joel ndichimuudza pandaive uye kuti
ndaive ndisisagone kudriver.

Ndakagara mumota kwekanguva kadiki ndichibva ndanzwa door kuvhurwa. Ndakatarisa ndikaona ari
Joel misodzi yangu yakabva yayerera uku ndichichema zvinonzwikwa. Akagara padivi neni achibva
andibata mapendekete ndakabva ndamutarisa ndikatowedzera kuchema.
Joel..... What's wrong Daniel?.

Me..... Bamukuru

Joel.... Hanzii?

Me..... Vatora dzimba dzese.

Joel..... Inga takataura wani kuti zvotengwa zvimwe.

Me.... Hanzi this is just my bonus, I want Angel to get married today.

Joel.... What?
Handina kudaira ndakabva ndatanga kuchema futi zvainzwikwa zvekare. Joel akambotora nguva
akanyarara.

Me.... Can you please call Mai Chris for me vauye paroad I want to talk to her maybe I will feel
better.

Joel..... In that is the case then, ndofanira kuenda naAngel pamashops kuti uwane kutaura navo
nekuti Angel haasi kusiyana navo. Simuka ipapo ndidrive.

Ndakangobva ndakanyarara achibva auya kwakusvika achigara zvake ave kurova pasi. Munzira
kuenda kumba hapana aitaura neumwe. Joel akanomisa mota nechekure achibva asiya ati,

Joel.... Ndakuenda ukaona ndakufonera tinengetabuda wochienda kumba kuna mama.

I nodded achibva abuda, ndakasara ndikadzokera pasit radriver. Haanawo kutora nguva Joel aive
andibhipa ndakabva ndamutsa mota ndave kuenda kumba. Ndakasvika ndikabuda kwakupinda
muimba yekutandarira. Ndakawana momz vachiona TV ndakabva ndaita zvekuzviwisira pavaive
ndikatanga kuchema.

Mai Chris..... Chii mwanangu?.

Me..... Mama ndibamukuru.

Mai Chris..... Hanzii?

Me.... Hanzi dzimba dzawandipa ibonus ndri kuda Angel na3 kuti aroorwe then ndokupa mapaper.

Mai Chris vakaita kufemera pamusoro zvekupererwa zviya, vakabva vabvisa musoro wangu
pamakumbo avo vachibva vasimuka vakabuda. Ndakasara ndichingochema asi zano ndairishaya.
Pasina nguva vakadzoka Mai Chris vakabata ndiro yesadza nemvura.

Mai Chris..... Muka tione udye.


Me.... Mama handina appetite.

Mai Chris..... I know but I will feed you trust me inouya appetite.

Ndakabatsirwa kumuka ndichibva ndagara ndakatarisana navo. Vakabva vatanga kundipaka chikafu,
ziso randaitariswa naro raitaura zvakawanda wanda. Ndakadya ndikapedza chikafu changu chese.
Vakabva vandipa mvura ndikanwa vapedza vakatora musoro wangu kwakumuisa pamakumbo avo
for a moment ndakanzwa kuti matambudziko angu ese aenda. Ndakabva ndatanga kuvarondedzera
zvese zvaive zvaiitika muupenyu hwangu zvese hazvo, Ndakazopedzisa ndichiti,

"Mama Angel is my sister but ndinomuda as long as am alive andigone kurega kumuda mom, ndoda
zvangu kuenda kujeri Angel osara hake"

Mai Chris..... kujeri hakuite Chris remember vanhu ava vaida kuuraya Angel ka saka vanogona
kuzomuuraya waenda vabereki vako vosara vasina chinhu.

Me..... Angel haabvume mama.


Mama...... I know and we have to think of another plan.

Me..... Yei mama?.

Mai Chris..... Ngati taure nyaya iyi tichipo tese tiri 4 tichionesana.

Me.... Okay mom

Mai Chris.... You have to be strong handitika, murume haacheme. Angel akaona uchichema anoto
chemawo so if you are strong, she would be fine. Now muka uende unogeza, no more shedding of
those tears my boy.

Me..... Yes
Ndakasimuka ndichibva ndaenda kunogeza. Ndaimbo geza zvisvinu here kwaingove kumira
pashower mvura ichiyerera. Ndichipedza ndakapfeka dzimwe hembe, ndakabva ndato bhipa Joel
kuti vachidzoka. Ndakaenda kunogara mumba maive namama. Vana Angel havana kunonoka
kusvika vakasvika tatovamirira. Achingo ndiona akauya achimhanya akasvika achindimbundira
ndakanzwa kuti she is mine asi situation yaive yave kundituma kumutengesa. Akabva auya akagara
pasi aitofara zvake ndakamunzwira tsitsi ndafunga kuti very soon anenge ave kuchema. Moyo
wangu wairwadza ndakamutarisa..

Mai Chris.... Angel mwanangu nyaya iripano yakaoma.

Ini ndakabva ndatotsikitsira kutarisa pasi.

Angel..... Chii mama?

Mai Chris..... Hanzi nabamukuru venyu dzimba dzawandipa ibonus ndiri kuda Angel aroorwe nhasi
na3.

Angel akabva atanga kuseka zviya zvekuda kuchema zvekusa believer, akazongopedzesera ave kuti,
Angel..... No no no!

Akabva asimuka achibva auya pandaive misodzi yaive yawanda mumaziso. Akasvika akapfugama
pamberi pangu achibva andibata matama akanditaridza kumeso kwake ndakatadza kutarisana naye
mumaziso,

Angel..... Daniel

Me..... Angel

Angel...... I love you.

Me...... I love you too.


Angel..... Are you going to send me to that evil man?.

Ndakaramba ndakanyarara ndave kunzwa kuda kuchema Mai Chris vakabva vandibata bendekete
vakati,

Mai Chris..... Murume haacheme Chris, ukachema who will comfort her.

Ndakabva ndatanga kumedza mate kuitira kuti shungu dzipere.

Angel..... Don't you love me anymore?.

Me..... I love you.

Joel akasimuka kwaaive achibva atora stool akauya akagara padhuze nesu akatibata maoko,
Joel...... Angel the issue is bepa rina bamukuru ndiro rine evidence inoratidza kuti Daniel is innocent.
So akarishaya arikunogara 40 yrs and above or life in jail uye anenge asisaite everything chero
akadzoka. Cynthia anenge asisina munhu anomutsvaga hazvireve kuti ini handigone asi handina
zvivindi sezva Daniel. Nyasha anenge ave neaccess yekuita zvaanoda neupenyu hwaMai Chris
naChris. Obviously,

iwe unenge wave kuzongoroorwa neumwe munhu.

Achipedza kutaura Angel akabva atanga kuchema zvinosiririsa.

Joel..... Am not forcing you to go there asi ndiri kungokuonesa Chete.

Foni yangu yakabva yatanga kurira ndakatarisa ndikaona vari bamukuru. Ndakadaira iri paloud,

Me..... Hello
Bamukuru..... 12:00 now you have 3 hrs left kana mafunga kuuya mouya na2:30.

Foni yakabva yakata Angel akangosimuka achibva atanga kufamba achibuda,

Me..... Angel please don't be upset, ndoenda kujeri and I don't want to see you like that.

Angel..... I need sometime alone.

Me..... Unozo zviuraya.

Angel......No Daniel, handizviuraye.


Akabvaatopota, ndakabva ndatanga kuchema kusvika hope dzabata. Ndakarara zvekutokanganwa,
ndakazopeputswa nefoni. Ndakatarisa aifona ndikaona vari bamukuru,

Me..... Hello.

Bamukuru..... 2:15 half past ikachaya musina kundipaka mhinduro ndave kutoudza vakwasha kuti
vasasauye and you know the consequences.

Foni yakabva yakata ndakazama kumuka kudai ndichibva ndanzwa musoro wangu kubanda,

Angel.... Relax Daniel.

Akataura achipinda padoor aive akabata glass remvura. Ndakabva ndapihwa mvura ndikanwa.
Mama vakabva vapinda vakadunga midzana naJoel. Vanhu vose vakabva vagara pasi Angel achibva
atanga kutaura,
Angel..... Am ready to be married but on 1 condition,

Me...... Anything,

Angel.... Ndiwe uchandibvisa umhandara izvezvi tisati taenda.......

Ndakaramba ndakamutarisa ndichida kuzama kubatanidza zvaaitaura. Ndainzwa kufara nekutya,


nekurohwa nehana......

End of Chapter (2020)

26

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Pane zvimwe zvinhu zvekuti ukaudzwa unombotanga wafunga kuti pamwe munhu achati ari
kutamba ndakatarisa Angel mumaziso ndikanyatsoona chokwadi chake chese. Ndakashaya kuti
ndomuti chii yes Angel ndaimuda asi ndaida kutanga ndaziva chokwadi chezvaiitika muupenyu
hwedu.
Me.... Ko ukaita nhumbu.

Angel.... Ndofara

Ndakashamisika nemashoko aive ataurwa naAngel. Ndakabva ndafunga mashoko amama ekuti
please mwanangu usarare naye,

Me.... Ko tikazoziva kuti ndisatan aikonzera.

Angel.... Totangira ipapo.

Me..... Okay
Foni yangu yakabva yatanga kurira ndakatarisa ndikaona kuti vaive bamukuru. Ndakabva ndadaira
ndikaiisa paloud,

Bamukuru..... Ukangomubvisa umhandara usasauye kuno nekuti uchingorara naye ndiri kubva
ndatopisa mapapers ako ese.

Foni yakabva yakata ndakatenda Mwari kuti at least yanga iri paloud ndaizo zvitsanangura sei
nhaimi zvinhu zvakadero. Ndakabva ndango tsikitsira pasi. Angel akabva asimuka akandimbundira
achichema. Ndakatarisa nguva ndikaona dzatofamba.

Me.... Todii.

Angel.... Handei hedu.

Takasimuka tichibva tanopinda mumota. Ndakabva ndamutsa mota toenda kumba ndipo
pandakatanga kufunga kuti bamukuru vaive vaziva sei kuti taive tafunga kurara tese. Mhinduro
chaiyo ndakaishaiyiwa. Mutown hatina kumbomira takananga kumba straight ndichisvika kumba
ndakabva ndamisa mota panze pegate.

Me....Tora watch iyi neneckless ndakazviisa tracker ndikabva kucourt ndinouya kuzokutora, I
promise.

Ndakabva ndamumbundira achibva atanga kutaura,

Angel..... Usarega Daniel, I love you.

Me.... Love you too.

Ndakabva ndatotanga kuburuka takasvika tikamira pagate ndichibva ndabata Angel,

Me..... Angel be strong nhaika pretend as if everything is ok with you ndikawana mukana
ndichazama kuba mapaper acho unobva warega zvekuwanikwa.
Ndakatanga kufamba ndichipinda mugate Angel achiteera. Takatambirwa nambuya vaipururudza
nekuimba. Takadungamidzana hedu kupinda mumba, ndakarohwa nehana ndichiona baba vangu.

Vaive vakaonda zvekuita semunhu ane kwashu kana munhu ave kurwarisa neAIDS ndakanzwa moyo
wangu kuenda kure ndakavatarisa ndainzwa kurwadziwa kwakapetwa. Ndakafamba ndichienda
pavaive vakagara ndakabva ndavabata ruoko ndikatanga kuvapuruzira. Angel akauyawo achibva
agara rimwe divi aiona kuti baba vaive vapera. Ivo hapana chavaitaura vaive vakango titarisa chete.
Pasina nguva mom vakabudikira zvekare. Angel akaita vekumhanyira. Achingosvika pavaive vakabva
vatanga kuchema vakamumbundira ndaitoona ndega kuti pane zvaiitika mupenyu hwevabereki
vangu. Babawo vaive vakajenga misodzi mumaziso vachiratidza kuti vaida kuchema,

Me..... Be strong like a man baba.

Havana chavakakwanisa kutaura vakangofamba vachienda muimba yavairara. Ndainyatsonzwa kuti


pano panenge pane nyaya. Yolanda naNatasha vakabva vapindawo,

Natasha.... Finally wazouya Angel.

Tese takaramba takanyarara. Mom vakabva vabuda vave kuenda kubedroom kwavo. Angel
akangoteera akanyarara, Ini ndakabva ndasimuka kwakuenda kuimba yairara mama na baba
ndakasvika Angel atopinda. Ndakapinda ndikaona baba vakagara paChair vachieredza misodzi
mamawo vakarara vakatarisa kwavowo.
Me..... Daddy can l have privacy with you please.

Havana kunonoka kusimuka vakangosimuka vachibva vatanga kufamba vachiuya kwandaive.


Ndakavabata ruoko tichibva taenda kuseri kweimba hapana aiona kufamba kwataiita takasvika
tikagara padombo ndichibva ndavatarisa,

Me...... Daddy makambouraya munhu?

Daddy.... No

Me ...... Makamborara nehama here kana shamwari yamama.

Daddy..... Aaaa why wabvunza izvozvo?.


Me.... Nekuti bamukuru is blackmailing you but you know what daddy, Ini ndiri murume ndatove
murume mukuru so handingamboti zvatataura nyaya yenyu ndonokuexposai never but
ndingatotsvage solution. Mese namom muri kublackmailwa something.

Daddy..... Your mom is not part of this.

Me..... I know but vane zvavowo zvavari kublackmailwa.

Daddy.... How, chingave chii coz I married her ari virgin.

Me.... Zvamom handisati ndatsvaga, ndichatsvaga hangu handiva bvunze.

Daddy.... What makes you think kuti ndozviri kuitika.

Me..... 1, mom vaonda 2, ndakambo vafonera vakarotomoka kuti kasira shamwari my life is in
danger. Hameno vaifunga kuti ndiani vakatotaura zita remunhu wacho but ndarikanganwa.
Daddy.... (Vachisimuka) Enough of this, ndaneta nekuvhiringirwa mhuri yangu.

Me.......( Ndichivabata ruoko kuti vagare pasi) No daddy, my life is in danger any mistake ndoenda
kujail.

Daddy..... How?

Me..... Ko hamusi kuziva kuti Angel arikuroorwa nhasi.

Daddy..... What?

Me..... Mukoma wenyu akamutsvagira murume. Zvakaitika ndezvekudai,


*Me..Bamukuru vakatsvagira Angel murume Daddy. Paya patakabuda kuno tichienda naAngel kwa
family Doctor azvibaya nebanga, Doctor vakanomubaya injection yekuti afe. Ndakavanzwa
vachiudza munhu pa foni ndichibva ndatomhanya ndikanotora Angel ndikaenda naye kwaJoel. Joel
aive asiko saka Nurse aivapo akandinyebera kuti Angel afa ndikatadza kuzvigamuchira ndichibva
ndazvibaya nebanga. Joel paakauya akabva aona kuti Angel aiva mupenyu akaenda nesu kuGweru
ndiko kwatakanomukira. Cee akabva adzokera kumusha kwavo, akazongofona mumwe musi achiti
aive atorwa nematsotsi akataura zita ra Doctor vaivamo mudhiri macho. Ndakabva ndaenda
kunotora Doctor wacho ndikamusiya kumba kwangu ndakamuvharira, pandakadzokera ndakawana
vatiza nabamukuru asi vaive vatora mapaper angu ese edzimba nedocument randinofanira kuenda
naro kuCourt mangwana. Panenyaya yekubiwa kweGold irikunetsa kubasa, saka varikufungira ini so
document rakatorwa ndiro rine proof yandakawana manje ndakanzi nabamukuru kana uchirida
Angel anofanirwa kuroorwa nhasi na3pm nemurume wavakamutsvagira.*

Daddy...... Norman akuda kundiita munhu wake manje. This means vanhu ava vane nyaya
yakavanzika, why vari kuramba kufamba kuti tiudzwe zviri kukonzera.

Me..... Isu takambofamba namom tikangonzi nevaporofita vanosvika 5, tiri kuona mucheka mutema
chete saka namatai.

Daddy.... Pane nyaya, ko iwe waiita pfuma yakawanda kudero usingatauri why?.

Me.... Daddy hama dzede dzine unjwire thus why ndisina kuburitsa upfumi hwangu.

Daddy..... Dai wakataura ndainokuisira mapaper ako kune angu.


Me...... Enyu eyi.

Daddy...... Daniel vanhu ava vane unjwire hwakaoma. Ndakaita 10yrs ndaroora Mai vako tese
tichishanda asi pasina chinemusoro chatakaita. Unoziva ndakatozo gadzirisa mapaper eloan
yenhema kuti ndivake imba iyi. Payakapera ndipo pandakapromotwa handina kuvaudza, ndakabva
ndatotanga business apa taive tichiri kugara ku3 rooms, business rakura ndipo patakauya kunoku.
Ndikakuudza kuti ndine dzimba 5 unoramba.

Ndakaita kubata muromo nekuti ndaisazviziva.

Daddy.... Yes dzese dziri muzita ramai vako. Ndakaitira kuti ndikafa musare muine something, ndine
mashops emabuilding material 3, kwaMutare, Gweru nemuMasvingo. Tine kamine kadiki but
takabatana naSimba

Me...... Daddy mungabatane nemunhu akadero sure makanganwa here kuti hamuwirirane.
Daddy..... Ndizvo zvamunofunga but he is my best friend kuvanza ushamwari kuitira kuti vana
bamukuru vasapindira. Ndine plot rine mombe 209 I think and lastly ndine hotel kwaMutare.

Me..... Daddy, ( ndakataura zvekushamisika) saka why muri kugara imba yakadai.

Daddy..... Imba tinayo mwanangu hombe chaizvo haitogare munhu ndiko kune imwe property yedu.
Mapaper angu ari kuplot. Ndichakuratidza zvese iyezvino wakura manje.

Me..... Okay daddy chindiudzai that secret daddy.

Daddy..... If you tell your mom ndinorambwa. Ndovada Mai vako ndakangoitawo nemistake.

Me.... I promise daddy I won't.

Daddy..... Ndine mwana musango.


I smiled vakaratidza kushamisika.

Me..... Daddy mwana ndiye wamungaite sekuti makauraya munhu kudaro. Anonzani uye aripi?.

Daddy...... Ndakangomitisa ndikati abvise nhumbu akaramba ndakabva ndatotiza nekuti aisaziva
kwandobva hameno kuti akazosangana nabamukuri vako sei kwakuvaudza zvemwana so ini
ndonyatsoziva kuti Mai vako vakangozvinzwa ndorambwa.

Me..... Don't worry daddy ndichatsvaga zvavari kublackmailwa nazvo ndokuudzai then totangira
ipapo we will convince her I promise.

Daddy.... Fine ukapiwa mapaper ako, Ini ndotomhanya kupolice kunotaura kuti vari kuroodza mwana
wangu ndisingade.

Me..... Vanogona kukutii musigne something so please chimbobvai pano.


Daddy mazuvano handisi kutomboenda kumabusiness angu vanenge vari kundironda vanhu ivava
saka ndoendepi.

Ndakabudisa foni muhomwe kwakufonera Joel kuti azovatora. Ndakabva ndavapa chimbudzi. Joel
wacho haana kunonoka akasvika in time vachibva vatoenda. Ndakafara ndikapinda mumba
ndakabva ndanzwa bamukuru vachirova rova door ramom. Ndakasvika zvikanzi,

Bamukuru.....Ko iwe hausi umu.

Me..... Ndandichi mborohwa nemhepo. Ko murikukanganisirei vanhu vari kufara.

Bamukuru..... Aaaa inguva yekutombofara here ino.

Door rakabva ravhurwa naAngel. Ndichibva ndamutsonya,


Me.... Ko iwe uri kuitei muna Mai naBaba.

Angel..... Daddy vabuda kudhara

Bamukuru.... Vaendepi

Angel.... Handizive

Bamukuru.... (Vachiratidza kubatikana) ndandichida vasigne mapaper aya.

Me..... Ndeeyi.

Bamukuru..... Vakwasha vave kusvika saka panoda kusigniwa kana vapedza kuroora.
Me..... Ko mudhara vane basa rei iyeni pano ndosigner kana imi.

Bamukuru.... Aaaa hoo saka chiuyai tione.

Me.... Handei Angie.

Aive ajenga misodzi mumaziso ndakango kweva ndikati am planning something don't worry.
Ndakabva ndaenda kwaive nevamwe. Ndagara pasi ndakasendera Joel sms kuti azotarisa kuti Angel
achaendwepi naye after muchato ozoudza daddy vaiziva zvatataurirana.

Marooro akatanga vakangoroora ne500 ndakaseka zvangu. Zvichibva zvazonzi mukwasha


ngaachipinda. Kwakapinda vamwe sekuru nevarume vechidiki. Varume vechidiki vakanzi vaive
vazukuru then mudhara ndiye aive murume waAngel, sekuru ivavo was old enough to be my great
grand father. Angel akabva atanga kuchema ndakasimuka ndichibva ndati,

Me.... Bamukuru ndochiii ichi kupa munhu dhara rave kufa iri.

Bamukuru..... We made a deal nyarara uko. Muchato uriko mangwana unotanga na9.
Angel akangosimuka achimhanya akanozvivharira muroom make.

Ndakabudawo ndikaenda mangu ndairwadziwa nezvaiitika asi chekuita paive pasina. Hope
dzakakasira kubata ndikamuka mangwana acho kuma 8. Yolanda ndiye akatondimutsa,

Yolanda..... Muka unodya upfeke.

Handina kudaira ndakangofamba ndichienda kuroom kwaAngel. Ndakasvika padoor


ndikarambidzwa kupinda asi ndainyatsonzwa kuti Angel arikuchema. Ndakaenda kunopfeka
ndichibva ndanogara kumota. Pasina nguva akabuda Angel akapfeka rwugown rwekunge munhu
anonoteya mbeva. Ndakaburuka ndikaenda kwaaive ndichisvika akaita kusvetukira mumaoko angu.
Ndofunga

aive anzwa nekuchema ipapo aingoti Daniel l don't want this.

Bamukuru vakauya vakamukakata vachinomusiya kumota. Mota dzataienda nadzo dzaive 3 yangu
yamom neyabamukuru. Yamom yaidrivhiwa naNatasha. Mom vaive vasara saka pakabuda mota
ndakaburuka ndichida kunotaura navo. Ndakavawana vachizviuraya nekuchema ndakangosvika
ndikataura mashoko mashoma shoma,
Me..... Mom don't worry everything is going to be fine.

Mom...... Why me Daniel?

Me..... Don't worry mom.

Ndakabuda ndichingopinda mumota ndave kuenda, ndakabva ndaisirwa sms naJoel.

� Shamwari ndaneta nekukuchengeta kubva riini apa uri kungouyisa vanhu hobho hobho kumba
kwangu. Chris ndamubudisa muchipatara mangu zvese namai vacho nababa vako tora vanhu vako
please hembe dzenyu dziri pagate stay away from my life.

Moziva ndakaita kadzungu so ndichibva ndadzokorora kuverenga, ndakabva ndafunga kufonera Joel.
Akadaira zvine rough yaaive asati amboita muupenyu hwangu,

Joel..... Daniel stay away from my life usandifonere futi.


Akabva akata foni iya, Ini ndichibva ndazama futi kufona yakabva yatoenda ku voicemail.
Ndakanzwa kurwadziwa ndichiona munhu wandaive ndakabatsira kuvhura masurgery ave
kundirasira.

Ndakabvisa pfungwa yaJoel ndafunga vana mom vaive panzira. Ndakasiya vanhu pavenue ndave
kuenda kunotora vana Mai Chris. Ndakawana varipo ndikavatora kuenda kuchurch kwaichatirwa.

Takasvika tikagara mberi ndakashamisika kuona baba vangu varimberi vakabata Angel ruoko
misodzi ichiyerera. Ndakabva ndapererwa nezano.

Pastor vakazobvunza kuti pane anopikisana nemuchato uyu here. Vanhu vese vakaramba
vakanyarara. Ini ndaive ndave kuchema ndakatsikitsira,

Pastor..... Kana pasina vaveku....

Havana kupedzisa ndakanzwa voice rakadeedzera kudoor.

Voice...... Aripo.
Ndakacheuka ndichibva ndashamisika kuona Nyasha achifamba achipinda aine varume vanosvika 6
kumashure kwake.....

End of Chapter (2020)

27

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Mai Chris.... Nyasha

Vakabva vatanga kutya nekuhutisa maoko zvandaiona. Ndakanyatsoona kuti Nyasha aityiwa asi ini
hameno chii ndaisanzwa kana hana kurova. Ndakasimuka ndikabata mai Chris ruoko ndikatanga
kuva comforter. Vanhu vose vaive muchechi vakasimuka. Bamukuru vakabva vafamba vachienda
kumberi,

Chris.... Ndakutiza hangu.


Me.... No don't worry, unosvikepi nekutiza mira unzwe zvaari kuda.

Nyasha aive atove mudhara atoti kure mazera ana baba vangu. Asi zvinhu zvaaiita waisambofungira
kuti akura zvekudero. Matyirwo aaiitwa namai Chris zvaisamboita sevanhu vaive vakamboroorana
vakagara vese vakatoita mwana vese. Mugoona mwana wake Chris aive munhu aribhoo akapfava
asina hasha ndoshaya kuti zveukasha zvaibvepi. Ini zvangu ndaisazombofa ndakasheedza mudhara
iyeye kuti baba nhingi. Ndaitongoti Nyasha chero zvidiii vaisakodzera kupiwa respect.

Ndakabata mai Chris ruoko vese naChris tikafamba tichienda paichatira vanhu. Mai Chris vaive havo
vavekutobuda ziya. Ndakanomira padivi nemuchatisi. Angel aive achiri kungochema, Nyasha akabva
asvika akakakata Angel achibva ataura neizwi riri pasi asi vanhu vaive pedyo vakazvinzwa,

Nyasha..... Don't worry my daughter am here for you handi.

Angel aisavaziva asi akabva atonyatso namirana navo achichema. Ini maziso angu aive atsvuka
ndichinzwa hasha.

Me.... Angel do you know this man?.


Ndisati ndapindura Nyasha akabudisa mapaper achibva anditambidza. Pamusoro paive nebook
remota yangu, hana yangu yakabva yatanga kurova ndichibva ndaita ekuisa pasi nekuti ndiwo
mapaper aive neproperty yangu yese iwayo. Ndakatanga kuvhendenyura ndichikasira ndikanzwa
Nyasha avekuti,

Nyasha.... Relax Mr Pirai bepa ramuri kuda riripo asi mukaita zvekumhanya muno ridarika.

Mai Chris vakabva vakotamawo vakatanga kutarisa. Bamukuru vakada kuti vatore mapepa aya
vachibva vabatwa neumwe wevarume vaive naNyasha. Mai Chris ndivo vakaona bepa riya vachibva
vanditambidza. Raive bepa rangu randaida chairo. Ndakanzwa mufaro wakanyanya. Ndakabva
ndaita kujambira Nyasha ndichimu mbundira iye akabva andimbundirawo back zviri tight zvekuti
ndakanzwa ropa rangu kudairira. Patakaregedzana vakabva vabata ruoko rwangu kwakutanga
kubvisa mabutton eshirt yandaive ndakapfeka.

Me.... Ko chii?

Nyasha.... Sorry

Ndakashaya kuti chaive chava chii futi. Akabva abvisa vesy kwakutarisa paguvhu pangu then he
smiled akatarisa Mai Chris then achibva andimbundira zvekare. Ndaive ndava kushaya chaitora
nzvimbo,
Nyasha..... Uchaperekedzwa kucourt neuyo murume uyo then my lawyer will do the rest
uchanomuratidzwa ikoko.

Ndakaramba ndakatarisa Nyasha ndichishaya kuti airevesa here kana kuti kwaive kutamba. Akabva
abata bata homwe dzake kwakubudisa mari akaverenga US $500 achibva atambidza murume uya
wekuchata naAngel,

Nyasha.... Stay away from Angel or else you will regret the day you were born.

Achibva averenga imwe 500 kwakupa bamukuru zvikanzi,

Nyasha..... I know you paid something for the wedding mari yako iyo usashungurudze vana.

Bamukuru..... Ndiwe ani?.

Nyasha.... Am Nyasha Meraa.


Bamukuru..... Me... Me... Me.. Meraaaaa..

Vakaratidza kurohwa nehana zvakanyanyisa. Vakabva vadonha pasi nekutofenda.

Mbuya vakabva vatanga kuswedera kumashure vachingoti,

Mbuya....Meraa, wati Meraa here, Meraa, kusvika vabuda padoor.

Ndakanga ndave confused kuti chii chaiitika ndakatarisa Nyasha ndikaona achifunda zvibhakera
zvehasha zviya. Ndakabva ndadhuma Mai Chris ndikavaratidza.

Mai Chris..... Nyasha

Vakadanidzira nevoice riri confused, kuti uti raive nehasha no raive risina, kuti uti raifara no raisafara
but raive confused. Nyasha wacho akangocheuka kwakuvatarisa.
Ivo vakabva vatanga kuyeredza misodzi kuti ndizive kuti vaichemei ndakazvishaya. Angel akabva
abvisa magogo aaive akapfeka achibva ambundira Nyasha zvekare kwakuti,

Angel.... Thank you for saving my life.

Nyasha.... Okay bye.

Ndakabva ndatarisa time kwakuona dzave 11 ndikatoona kuti time dzecourt dzaive dzave kukwana.
Ndakabata Angel ruoko ndichibva ndasekerera iye aichema,

Me.... Stop crying it's over now, handei.

Takabva tatanga kufamba tichibva paive nevanhu tichienda kudoor Nyasha aive atobuda.
Ndakanzwa bamukuru vave kudanidzira,

Bamukuru.... Hure remunhu, unoda kuroora hanzvadzi yako hure.


Ndakabva ndangoramba ndichifamba ndichienda. Takasvika tikapinda mumota 1 nemurume uya
wandaive ndanzi ndiende naye kucourt.

Pasina nguva baba vangu vakasvika vachibva vadongorera mumota kwakuti,

Daddy.... Joel atorerwa baba vake nematsotsi amuti ukasadzinga Daniel nevanhu vake tiri kuuraya
baba vako. Ini ndauya ndikatorwawo kwakuuyiswa kumuchato.

Me..... Pindai daddy totaura tichifamba.

Vakapinda vakagara mota ichibva yamutswa tave kuenda.

Me..... Ndangandichizviziva kuti pane zvaitika.

Daddy..... Bamukuru vako imhondi chaiyo haaa.


Me....mhondi hombe chaiyo.

Daddy..... Saka zvecourt zvikapera tochidii?.

Me..... Daddy, ava ndimai vaCee shamwari yaAngel.

Daddy.... Ndafara nekukuzivai amai.

Mai Cee.... Nesuwo

Me ..... Ndoda kumbonanga kumba kwaMai Chris kuti vanoona hanzvadzi yavo, I hope vari
kuvatsvaga then from there tozoenda kuHatfield cottage yeko haina munhu ndokwatichanogara
ndataura nemulodger ariko.

Daddy..... Ko kumba.
Me..... Nabamukuru tingatorovana daddy ini ndine hasha.

Daddy...... okay, ko Mai vako uchadii tadii kutsvaga ma investigators.

Me.... Hazvishande zviya daddy ndakambo vatsvaga asi hapana zvavakaita vaitove nerimwe
nabamukuru.

Daddy..... Haaa zvakaoma.

Taive tasvika pacourt tikabva taburuka. Angel aive atobatwa nehope,

Daddy..... Aneta nekuchema mwana wangu.


Me...... Zvapera manje regai ambozorore.

Mai Chris..... Endai henyu ndosara naye.

Takasiya Mai Chris naChris vaina Angel. Takapinda mucourt tichibva tasangana nerimwe lawyer
raive nembiri raizivikanwa. Vakambo mhoresana nadaddy vachibva vazotora bepa rangu
kwakutanga kuverenga vachindibvunza mibvunzo. Takabva tazopinda mucourt. Vaindipomera nyaya
vakashamisika vachiona ndichipinda nekuti vaive vatombosenda sms vachiti matya ka kuuya.
Tichingopinda nyaya yedu yakabva yatotanga. Ndakatarisa judge ndikaona ari imwe shamwari
yadaddy so, ndakabva ndangonyemwerera.

Nyaya yakafamba zvakanaka and with the help of that proof, ndakaihwinha. Ndakafara ndikatenda
Nyasha zvakanyanyisa. Ndakabva ndatobuda tave kuenda kumota. Ndichingopinda mumota
ndakafonerwa nemuridzi wemine,

Me.... hello

Him.... Me Pirai, how are you?.


Me.... Am fine and you Sir

Him..... Very fine. Am sorry for the accusations.

Me..... Ooh it's okay.

Him..... I hope you still want to work with us because ndiwe watakatotarisira.

Me..... No I can't and these days am very busy.

Him..... Okay tell kana me kana mave free. I will transfer your money tomorrow morning.

Me..... Okay.
Ndakakata ndichitopinda mumota ndakawana Angel atomuka agara.

Me..... How are you.

Angel.... Ndiribhoo, ko murume uya ndewepi.

Me.... Ndivo baba Chris.

Angel..... Zvamaimboti vane utsinye wani.

Mai Chris..... Neni ndiri kutoshaiwa chiri kutora nzvimbo.

Me..... Takuenda kunotsveta mabag kumba then tobva taenda kuBudiriro.


Takasvika kuHatfield ndikataura nevaigarapo kuti taizogara just for 1 week. Tapedza kurongedza
Angel achinja ndakabva ndaona call from vanhu vaigara kuZIMRE.

Me.... Hello

Him..... Ko imi hamuchatiudze kuti mave kutengesa imba.

Me.... Chii mudhara.

Him..... Panze panotove nemalorry maviri auya nezvinhu saka vari kutoti tibude asi kwekuenda
chaiko ndiko kwandisina and nezvaangori mudhara wacho ndatotya kumuti ngati share.

Me....haa ma1 ndikutsvagirei somewhere.

Ndakabva ndakata foni pachibva patopinda imwe call from a new number.
Me.... Hello

Voice.... Ndi Meraa.

Ndakabva ndaziva kuti aive Nyasha.

Me..... Maita basa nyaya yafamba zvakanaka.

Nyasha.... Okay avo vari kuda imba avo ndine imba iri muZIMRE imomo saka unogona kuvaendesa
ikoko haina munhu.

Ndakashamisika ndikashaya kuti vaive vazvinzwepi.

Me...... Ko mazvinzwepi, I will send the address nemota dzinovabetsera kutakura nekurongedza soon
kana vave ready tell me.
Foni yakabva yakata ndakashaya kuti ko Nyasha aive azviwanepi zvese zvaaitaura izvi. Ndakabva
ndangofonera vekumba ndichivaudza zvekuti imba ndaive ndaiwana uye vaisazobhadhara rent for
next 2 months ndaivabhadharira ndakavaudza kuti mota yekuvatora yaive yava kuuya. Ndakafonera
Nyasha akandipa address ndichibva ndavapawo.

Takabuda tave kuenda mutown ndipo paandakafonerwa nabamukuru vachiti,

Bamukuru..... Mota yatosvika yezvinhu zvatete enda kuMarondera unobvisa zvinhu zvako vanoda
kupinda. Moziva ndakapererwa ndikashaya kuti ndochidii manje pakarepo Nyasha akafona futi,

Nyasha..... Unogona kufano zviisa kumba kwangu kwandiri kugara uchitsvaga pamwe. Rega
ndikutumire number yemunhu anonokubatsira kuzvitora.

Foni yakabva yakatwa moziva ndandatove confused kuti chii chainyatsoitika pandiri chaizvo zvese
zvaitika vaizviziva. Kuti nditi ndivo vaive vatuma bamukuru zvaindirambira. Ndakafona panumber iya
ichibva yatodairwa zvichitonzi ngatisangane paroad inoenda kuMarondera. Takanosangana tichibva
tadungamidzana kuenda kuMarondera.
Ndakarohwa nehana nezvandakaona ndichitsvaga pamba zvinhu zvangu zvese zvaive zvatovepanze
tete nemurume wavo vachipinza zvavo. Ndakanzwa hasha ndikasvika paive natete ndichi......

End of Chapter (2020)

28

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Kumwe kwaive kwava kujairira vachiona ndichingonyarara pazvinhu zvizhinji. Ndakanzwa hasha
ndichisvika zvinhu zvangu zvaunganidzwa panze. Apa vaiita zvekukanda panze pacho. Ndakaita
kuvira nehasha ndichinovabata. Ndakavabata huro vakatanga kundirova rova. Mai Chris ndivo
vakasvika vachibata. Ndakabva ndava bvisa, pakarepo foni yangu yakarira. Ndakadaira ndaona kuti
aive Nyasha,

Nyasha..... Don't fight with them Daniel juss leave them.


Me...... Vave kundijairira vanhu ava.

Nyasha..... Relax, fighting will not solve anything.

Ndakabva ndatonogara mumota pakakata foni yangu. Kudhara ndaiti ndikatsamwa ndaisagona
kuterera chero munhu kunze kwaAngel chete ndakatoshaya kuti mudhara Nyasha vaidya mushonga
wei wakaita kuti hasha dzangu dziderere ipapo ipapo.

Zvinhu zvakatanga kuiswa mumota, ndakagara zvangu. Zvapera ndakatarisa imba yangu ndikanzwa
misodzi kuuya. Pakarepo foni yangu yakabva yarira vaive bamukuru,

Me ..... Hello

Bamukuru..... Siya mapaper edzimba dzangu kuna tete.


Ndakanzwa kurwadziwa chokwadi munhu kungoda kudya zvinhu zvaasina kumbobvira ashandira
kudya zvemahara sehonye kana ndimiwo. Ndakabva ndatanga kutsvaga mapaper aya foni yangu
yakabva yarira aive Nyasha,

Nyasha..... Don't give them any paper huya nayo mapaper iwawo unovaudza kuti ndini ndichavapa
wonyarara.

Foni yakabva yakatwa. Ndakangomutsa mota ndichibva ndanzwa tete vachidanidzira,

Tete...... Iwe siya mapaper emba yangu iwe. Ndakangorova mota ndakananga kuHarare. Ndisati
ndambobuda muMarondera ndakanzwa foni kurira ndikaona vari bamukuru,

Bamukuru...... Iwe ndati siya mapaper angu unoziva here kuti ndokusungisa.

Me..... Mungato sungisa Nyasha Meraa ndiye ati ndisakupai.


Bamukuru..... Meraa

Ndakaramba ndakanyarara.

Bamukuru..... Mwanangu unoziva wani kuti ukateedzera vatorwa vanokuparadzira upenyu.

Me..... Vatorwa chaivo chaivo vanoparadza (neni ndakato shaya sense yezvandaida kutaura)

Bamukuru.... Nyasha anenge achinyepa siyana naye anonzi ane mishonga.

Ndakabva ndakata foni kwakuidzima ndandaneta nekutaura nemapenzi aya.

Mota yakananga kumba kwaNyasha, takanoburutsa zvinhu zvese ikoko tichibva tasiya
zvichirongedzwa tave kuenda kunotsvaga chikafu, patakadzoka ndakawana vatopedza tichibva
tapinda muroad tonanga kumba kwaJoel ndiko kwandaive ndafunga kutanga.
Ndakasvika ndikapinda nababa mukati tichibva tawana aunty vachitaura pafoni,

Aunty..... Moti vachawirirana futi here hapasisina apa izvezvi uyu aenda kuGweru kuna baba vake
zvamamuita zviya magona.

Ndakabva ndavhura door ndikatora foni kwakuisa panzeve ndikanzwa voice rabamukuru,

Bamukuru.... Sare kababa kacho kave kuSA kuto kura musoro.

Me.... Vachakaura kusvika zvanaka.

Foni yakabva yakatwa ndikaona daddy vachiyeredza misodzi vakatarisa aunty vaya.
Me..... Chii daddy

Daddy..... Ndiye mukadzi wandakamitisa uyu.

Me..... Aripi munin'ina kana hanzvanzi yangu.

Vakabva varamba vakanyarara. Ndakabvuta foni yavo ndichibva ndatanga kufamba neimba
ndichitsvaga Joel. Ndakamushaya ndikatora spare key ndichibva ndapinda mumba maairara
ndikanyora katsamba ndichibva ndakaisa pabed ndikabuda zvangu. Ndasvika musitting,
ndakabatwa naAunty vachiti ndipe foni,

Me..... Maramba kundiudza zvandangandichida so ndichazouya nefoni mandipa mhinduro. Daddy


handei.

Ndakatarisa foni iya ndikateedzera pattern pascreen ikaita pattern yacho yaive yakapusa saka
handina kumbofunga zvekuichinja.
Takapinda mumota tichibva tananga kuBudiriro. Munzira daddy ndivo vaive nefoni vachitarisa
maconversation kuti vaone kumba kwaaunty kuti tigogona kunotsvaga mwana wacho. Foni yangu
ndakanga ndachi zoibatidza. Ndakainzwa kurira ndikaona vari mom ndichibva ndadaira ndakaiisa
paloud.

Mama....(neizwi raida kuchema) ko wadii kupa bamukuru zvinhu zvavo mwanangu.

Ndakatarisa daddy vachibva vaibvuta kwakukata vachibva vatura befu.

Daddy..... Varikutyityidzirwa Mai vako. Hameno kuti wovati chii. Ndangandichiona sekuti unogona
kungovati musangane uchivapa mapaper then monotaurirana ikoko.

Me.... Yaa that's good dairai.

Vaive vafona futi mom, saka vakadaira daddy vachibva vaiisa paloud. Mom vainzwikwa kuchema
ndakabva ndavanzwira tsitsi.

Mom..... Watii mwanangu.


Me.... Okay mom pane kwandiri kuenda saka imi munouya tosangana mutown ndizokupai
mangwana kuseni seni.

Mom...... Waita hako mwanangu.

Ndakabva ndakata foni iya ndikatanga kunetseka ndave kushaya kuti vainzi kudiiko mama. Pakarepo
foni yangu yakarira zvekare iyi yaive new number.

Me ....... Hello.

Joel..... Ndi Joel

Me..... Wadii umwe wangu.


Joel..... Sorry shaa pane zvaitika kuseni. Ndangandakagarwa bhamba nevanhu vamudhara vako.
Vatora daddy vachida kuvauraya, thanks to Nyasha shaa. Mudhara Nyasha ari everywhere
ndabvuma hangu. Andifonera ndave kusvika muGweru akanditi usavhundutsirwe nevanhu avo baba
vako vatove kudzokera kumba so. Handina kumbopa Nyasha number yangu kana kumuudza zvekuti
ndabirwa baba. Izvezvi ndasvika pamba baba vachisiiwa pamba. Ndabva ndavati rongedzai tiende
Harare tese Nyasha kwakufona achiti vasiye hapana chavanoona. Unoziva mudhara uya ndoshaya
kuti ndomuitirei.

Me..... Ini ndatobva kuCourt, Angel haana kuzochata zvadirwa jecha naNyasha.

Joel.... Endai kumba varume imba ndeyako iya, I hope you understand me.

Me.... Ndokunzwisisa kudarika zvinhu zvese shaa don't worry ko wadii apa.

Joel.... Ndakusimuka kudzoka ndichamboenda zvangu nepasurgery.

Me..... Bhoo rega ndimbosvika namuchembere paBudaz apo.


Joel..... Sharp tobatana.

Ndakakata foni ndichinzwa kufarira Nyasha. Ndakabva ndatanga kutaura naMai Chris,

Me..... Momz ndiye Nyasha wamaiti haaite here uyu.

Mai Chris.... Nditori confused mwanangu kuti nditi ndiye or pane zvaari kuda ndiri kutozvishaya ini
mwanangu.

Daddy..... But wakambozviona here kuti pane zvinhu zvakavanzika pakati pabamukuru naNyasha
zvatisiri kuziva.

Me..... Yes daddy pakaipa tichazviziva zvedu.


Takabva tanyarara nekuti taive tasvika pamba pamai Chris. Paive nevanhu vashoma shoma asi
paitoratidza kuti paive nerufu. Takaburuka mumota tichibva tafamba tave kupinda mumba, mumwe
mukadzi akabva mumba achifambisa akasvika achiti,

Her.... ukudei pano?.

Achitaura namai Chris. Mai Chris vakamusundira kure uko. Vachibva vafambisa vachipinda mumba
vakasvika vachiwira pane vamwe varume vaviri vachibva vatanga kuchema zvekuridza mhere. Isu
takangobata vanhu vese maoko tichibva tagara pasi. Umwe murume akabva adeedza Chris.

Him.... Huya muzukuru.

Vanhu vose vaivemo vaingonditarisa. Chris akasimuka achibva aenda paive nasekuru vaya. Vanhu
vakazonyarara Mai Chris vachibva vatanga kurondedzera zvakaitika. Vakarondedzera zvese
zvekutorwa kwavo nekwaChris nekwaCee zvese zvekuuraiwa kwaCee, apo ndipo pavakachema
zvavaive vasati vamboita tiripo. Ndoona sekuti vaiti ndingaremedze vana nekuti vakachema
vachingoti mwana wangu.
Vakazo rondedzera kutora kwandaka vaita nekuchinja kwakazoita Nyasha ave kuti batsira, uye kuti
ini ndaive ndati ndichabatsira kutsvaga Cynthia,

Mai Chris.... Uyu ndi Leeroy ndiye first born mumba medu, uyu ndiLeon ndiye second ini ndiri last.
Vana sekuru uyu ndi Angel ibest friend yaCynthia iyo hanzvadzi yake anonzi Daniel avo ndibaba
vavo.

Sekuru Lee..... Iwe Daniel une ukama naNyasha here.

Me.... No, handina

Daddy..... Isu tiri vekwaPirai.

Kule Leon..... Mafananiro awakaita naNyasha ka unoroverwa mhosva isiri yako.

Vanhu vese vakabva vaseka.


Kule Lee..... Iwe Daniel ndiwe unotaura naNyasha mufonere akuudze kuna Cee tiendeko.

Ndakabudisa foni yangu muhomwe ndichibva ndafona,

Nyasha.....hello

Me..... Ko Cynthia aripi.

Vakambotora nguva vakanyarara vachibva vazoti,


Nyasha..... I think Cee akadyiwa nemakarwe nekuti ndakatuma maSea Divers kanokwana kuita ka6
haasi kuonekwa.......

End of Chapter (2020)

29

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Vanhu vaive mumba vakanditarisa, Angel achibva atanga kuchema. Sekuru Lee vakabva vabvuta
foni,

Kule Lee.... Unototaura as if uri kuudza vanhu kuti wakarasira imbwa mudam. Do you know kuti uri
kutaura nezve munhu.

Nyasha..... Sorry ndiri kuendako mangwana tonoona.

Kule Lee..... Kunoona waive wambo mukandirei uribenzi remunhu.


Nyasha..... Kukanganisa sekuru ndine urombo.

Sekuru vakatarisa foni iya, vachibva vakata foni.

Kule Lee..... Haasi Nyasha uyu.

Kule Leon.... True Nyasha wandoziva haana kupfava kudai.

Mai Chris..... Neniwo am confused kuti chii Chiri kuitika.

Sekuru Lee.... Handei kumba kwake.

Pakarepo mukadzi uya akabva apinda zvekare. Mai Chris vakasimuka vachibva vanomubata huro
vachimuzungunutsa.
Mai Chris..... Ndiwe wakaita kuti kwana wangu afe ndiwe. Ndoda kukuuraya nhasi chawaiudzira
Nyasha kuti tauya chii?.

Sekuru Lee vakasimuka vakasvika vachibata mukadzi uya.

Kule Lee..... Mai Sandra

Mai Sandra..... Baba Sandra ndisiye mhani anonyepa uyu.

Chris..... Ndimi mavekutonyepa.

Mai Sandy..... Nyarara uko rombe remunhu.

Sekuru vakabata mbuya vachibva vavaregedzera mbama yekuti ndakaita mudumbu ivo vakabva
vangoti zeeee vachinowira kusofa. Sekuru vakateera vachibva vabata mbuya vakatanga kuvarova.
Ndakatozoita kunobata sekuru ruoko, Mbuya vaive vazara ropa.
Kule Lee.... Wakandi paradzanisa nehama dzangu zvakakwana. Handichakudi, ndakakuyambira
rwakawandisa.

Vakafamba sekuru vachinotora hembe ndofunga ndidzo dzaive dzambuya vachiuya vachikanda pa
sheet, sheet riya rakabva rasungwa.

Mai Chris.... Leeroy handina kuti murambe.

Kule Leon..... Ihure iri ngariende kumusha kwaro, ooh foni yangu uone mavideo ake nevamwe
varume.

Kule Lee.... Ko waidii kundiratidza?. (vaitaura vachitambira)

Kule Leon..... Wainzwa here iwe wawakaperera murudo nenzara nenzara dzese.
Kule Lee vakabva vabudisa foni muhomwe kwakutanga kufona vachiti vaida malorry maviri,
vapedza vakabva vati,

Kule Lee..... Handei

Kule Leon.... Kupi?

Kule Lee ..... Imi handei chete.

Takangosimuka takanyarara. Daddy vakasheedzwa na kule Lee vakaenda kumota yavo. Mom, Chris
naMai Sandra mune imwe mota in ndichibva ndapindawo mumota naAngel. Apa she was crying.
Vanhu vacho vaive vangosheedzwa sheedzwa kune dzimwe mota kusvika tasara tangove 2.

Ndakalocker madoors emota ndichibva ndaimutsa. Ndini ndakaita wekupedzesera ndaive


kumashure. Tichangopinda mumain road ndakabva ndabata ruoko rwa Angel kwakurwuisa pachest
pangu akabva anditarisa.
Me..... Ukunzwei

Angel.... Hana yako kurova.

Me.... Ikurovera iwewe.

She smiled

Me.... At least wasekerera.

Angel.... (Achifutisa matama) ndatsamwa.

Ndakabva ndarova dama nechigumwe ndikatanga kumunyerekedza achibva atanga kuseka.


Ndakazomubata ruoko ndikatanga kutaura naye,
Me ...... Angel my dear,

Angel.... Yes

Me .... I know you are worried about your friend but ndokumbirawo 1 favour from you babe.

Angel.... Anything,

Me..... Don't stress yourself please for the sake of my future child.

Akabva aseka,

Angel..... Future child akapinda sei mudumbu mangu?.


Me...... Handina kumboti arimo ini ndati wandichaisa.

Akabva aoma zvake nekuseka,

Angel.... But am your sister.

Me..... Hey let's forget about that for now.

Angel.... Okay

Me..... Sevanhu vapiwa space so.

Angel..... Space
Me.... Hausi kuona kuti vanhu ava vatipa nguva yekudanana.

Angel.... (Achinyara) Aaaa

Me.... Tapiwa time babe swedera kunoku tigare pasame sit.

Angel.... Aaaaa iwe uchidriver.

Me.... Zvine basa reiko babe.

Angel.... Tokutuka.

Me... No, handikutuke.


Angel.... Tokutuka mhani.

Me.... Angel

Angel.... Yes

Me.... Do you trust me.

Angel.... Yes

Me.... So huya ugare apa .

Akabva aswedera kwakugara padhuze neni akaisa rimwe gumbo kuside kwangu ndakabva
ndamumbundira kwakumu zemberesa pandiri ndichibva ndapotesa ruoko

rwangu nekumusana kwake.

Me..... Trust me Angel as long as am alive, Cynthia will come back. Ndoda kusiya ndagadzirisa nyaya
yamoms then ndono mutsvaga.
Angel .... Kupi

Me.... Kudam

Angel.... Ko ukanyura?.

Me.....(I smiled) I can see that you care.

She nodded

Me..... Handimutsvage mudam but just know that I have my own way.

Angel.... Thank you.

Me..... I love you.


Angel..... I love you too.

Akabva atanga kuswedera pedyo neni ndichibva ndaswedera kwakutanga kukissana trust me guys,
the kiss was hot infact more than hot. Ndakatanga kuregedza steering zvishoma nezvishoma.

Ndakazongonzwa piiipiiiiii piiiii. Ndakarohwa nehana ndichitarisa muroad kwakuona gonyeti raive
mberi kwangu ratosvika. Apa ini ndini ndaive ndapinda mulane reGonyeti.

Ndakango tsinzinya ndichibva ndanzwa mota ichitena zvekurevesa. Gumbo raAngel rakabva
ranotsika mabrakes mota ichinomira yave mulane medu. I felt relieved. Angel akabva atodzima
mota kwakuburuka mumota. Ini ndakaramba ndakagara ndaive ndachizorora ndakaisa musoro
pasteering ndichishaya kuti ndodii. Ndofunga ndakaita tuma seconds ndakadero ndakazonzwa
daddy vachinoka pawindow. Ndikasimudza musoro kwakuvavhurira,

Daddy.... Ko uriku driver sei?.


Ndakacheuka kune rimwe divi ndichibva ndaona Angel akabatwa namai Chris zviri tight apa
achibuda ziya. Ndakabva ndaburuka mumota ndichienda kwaaive ndichingo svika akabva abva pana
Mai Chris ave kuenda kumota yaive nana Chris ini ndokubva ndakatanga kumutevera,

Me.... Angel,

She ignored achiramba achifambisa achienda.

Daddy..... Daniel come back, we are behind time.

Ndakasvika ndichipinda kuma shure kwakuti,

Me.... Can you please drive daddy.

Vakango nditarisa vachibva vadzungudza musoro kwakupinda vomutsa mota kuti tichienda.

Daddy.... What happened Daniel?.


Me.... I don't know.

Ndakapindura ndichishaya kuti ndotii. I know Angel aive anditsamwira nekuti aive ambonditsiura
ndikasateerera.

Trust me guys handina kuzviita intentionally zvakangoitikawo. Ndaive ndasuwa mukadzi


kungobatawo chero nzeve zvayo remember am 28 ka, nyama dzakura idzi plus pana Angel
mafeelings acho aiita seadirwa negonyeti chero pfungwa dzaibva dzatombomira kushanda.
Ndaimuda Angel zvekumuda chaiko.

Daddy.... Danny

Vakadeedza zvine kaukasha mukati.

Me.... Yes daddy.


Daddy..... Ukufungei ndichitaura newe.

Me.... Am sorry daddy matii?.

Daddy.... Did you kiss her?.

Me..... Aaaa no daddy, how can I.

Daddy.... Lipstick waiwanepi, ndakakasira kuzvitarisa pamira kwakuona pane tu lipstick. Ndakasara
ndisisina chekutaura ndikabva ndanyarara,

Daddy..... Unoda kuti ndife neBP here Daniel?.

Me.... Am sorry daddy.

Daddy.... And you are forcing her.


Me.... Aaa no daddy am not, she....

Daddy..... Handidi kuzvinzwa zvinyaya zvenyu. You know what Daniel, be serious nelife yako
otherwise unomuka uri kumabhini wave kupenga ukada kuiteedzera mweya yetsvina.

Me..... Am sorry daddy.

Daddy vakabva vanyarara. Ini ndaive ndatove nestress chaiyo ndichizvibvunza kuti saka mweya
yetsvina iyi yaizopera zvadii, ndaishaya mhinduro. Takasvika pamba pasekuru pakamira matrucks
maviri. Takaburuka mumota tave kupinda mumba. Angel namai Chris ndivo vega vakasara mumota.
Ndakambo funga

kudzokera ndichibva ndangorovera moyo kudombo ndave kupinda mumba.

Takasangana nevasikana vaviri vaipindawo kubva kuma room emberi mbuya vaya vakabva vatanga
kuchema kuridza mhere,

Mai Sandy ...... Ndakakuudzai vanangu tete venyu muroi izvezvi baba venyu vave kundiramba
nekuda kwavo.
Kule Lee.... Siyana naLisa kana uchida kubva pano uine chinhu, onai video iyi.

Vasikana vaya vakatora foni vakatarisa zvikanzi nemukuru wacho,

Her.... Is there any problem here Daddy? Pamunotadza kudzoka kumba munenge muripi who knows
pamwe munotonokecha.

Akapiwa mbama iri very strong nababa vake achibva awira pasi.

Kule Lee..... Mai venyu vari kuenda kumusha kwavo nhasi ndiri kunovasiya ikoko. Girls you choose
what you want because I will never force you kusara.

Them.... Toenda namom muchatidemba.


Kule Lee......Boys pindai, ndoda kuti mubuditse zvinhu zvese zviri muno mumba zvese kubva
kumasofa mibhedha machira everything kusiya imba muine hembe dzangu chete. Leon hande
unondibetsera kubvisa hembe dzangu kubedroom. Boys tangai ne spare iri pedo nebed room
hamuna zvinhu zvakawanda imomo ndigofanoisa zvinhu zvangu imomo.

Zvinhu zvakatanga kuiswa mumalorry mumba mukasara musina kana chinhu kunze kwejira 1
nehembe nemabooks nelaptop zvababa Sandra.

Takabva tapinda mudzimota, this time ndakagara naChris mumota mangu maive nezvimwe zvinhu
zvishoma shoma. Takabva tatopinda muroad tave kuenda.

Ndipo pandakaona kuti kana vanhu musina muchato kurambana kwenyu kuri very easy. Makuseni
munenge mafuma muchisekererana rotozovira malorry azara. Sekuru vaisadzora tsvimbo apa mbuya
vaichema vakagara mumota yaive nasekuru. Vachizama kukumbira ruregerero asi zvaisashanda.

Tave munzira kuenda ndakanzwa Chris ave kuti,


End of Chapter (2020)

30

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Chris aive munhu aive akanyarara zvekuti kana usingamuzive waiti chimumumu. Ndakashamisika
ave kuti,

Chris... But kubva zvandakakuonai mese naAngel, I have a feeling inondiudza kuti you guys are not
related.

Me.... But mom vangu vakaroorwa vari mhandara and musi wavakapona ini vanoti ndivo vega vaive
nenhumbu pachipatara uye ndivo vega vakapona hanzi ndakatoita mazuva ndiri pachipatara pasina
umwe munhu auya. Hanzi ndakasvika pakuenda pasina kupona umwe munhu. Angel akaponerwa
kumusha vakaponeswa nambuya uye vaive vega zvekare. Ini zvangu mbuya handiva truste ndoona
sekuti vanemushonga wavanotishandisira coz kubva ndichizvarwa ka handina kumboita feeling
yakadero nemusikana.

Chris..... Ok but inini zvinhu zvandowanzo feeler ka zvinenge zviri zvechokwadi.


Me.... Chii chawakambofeeler.

Chris.... You know takakura tichishandisa surname yekuti Moyo uye tichirarama life yakaoma but I
have a feeling yekuti mom was hiding something from us but handina kuda kubvunza.
Pavakazotiudza zvanababa veduka ndakaziva kuti feeling iya was correct, hazvina kutangira ipapo
munhu akauya kwandiri achindinyepera ndozviziva and ndine kamwe kafeeling kanondiudza zvinhu
zvechokwadi kana ndanyeperwa, ndakango zvarwa ndakadero. Ikozvino chave kundinetsa kubva
zvandakaziva baba vangu, I have a feeling inondiudza kuti Meraa haisiriyo surname yangu but kuti
nditi yangu chaiyo ndiyani I don't know dai baba vacho vari baba kwavo ndaiva bvunza nezve
surname but chandoziva ndechekuti ndichaziva zvangu.

Me..... Haaa pangu naAngel Apo wakaresva kufeeler.

Chris.... Hoo maybe. Yaa vanhu varikuno vakarima shamwari.

Aive ave kutochinja nyaya aive munhu asingade zvenharo sababa vangu.

Me..... Yaa but in zvekurima ndozvida izvi.


Chris..... Zvoitisa mari manje kana uine zvikwanisiro hako. Ndizvo zvakandipinza chikoro kubva form
3 izvozvi.

Me.... Hoo saka wakasvika papi chikoro.

Chris.... Form 6, mari ndidzo dzakazonetsa.

Me..... Yoo form 6, inga wakadzidza waiita chii?.

Chris.... Maths, Accounts ne Economics.

Me..... Yaaa unenge waiziva zvaunoita ko wakazobuda nemangani.

Chris.... 15
Me..... Heee 15 apa uri kumusha futi, haaaaa Chris waikwatura chikoro. Shaaa ndikuda kuti
usadzokere kuSA uite zve chikoro.

Chris.... Mari ndidzo dzinonetsa shamwari.

Me..... Haaa ndobhadhara.

Chris.... Zvichizobuda here haaa kana, ndichaiwana hangu.

Me..... Cee akapa Angel Kidney, ini ndini ndingazotadza kukupinzai chikoro. Munoenda mese
ndobhadhara. Iwe kana uchida ndogona kukutsvagira basa kuma friends angu woenda kuchikoro
uchishanda.

Chris.... Unenge wagona shaa. I hope Cee anenge auya.


Me..... Hameno kuti achadzoka ari mupenyu here, I pray kuti Mwari vamuchengete.

Chris..... I have a feeling yekuti she is safe and she is somewhere pedo neikoko kudam.

Me..... Hoo I hope so, Cee is a good girl veduwe.

Chris.... Chokwadi yaa tinenge tasvika.

Tisu taive kwekupedzesera takaona mota yakule Lee ichikona pamwe pamba. Malorry ese
akanopindawo ipapo nesu takabva taburukawo.

Vana sekuru vakaponda maoko vachipinda mumba Mai Sandra vaingochema. Takapinda mumba
tese tikagara pasi. Sekuru vaivemo vaive vatove worried zvaionekwa pachiso. Pasina nguva
makapinda umwe mudhara.

Him.... Sorry baba Sandy ndanonoka ndandiri kure.


Kule Lee.... It's ok vaMoyo mangoita zvekujumiwa.

Vakabva vabudisa foni kwakuvaratidza. Ndinovimba vaiona video nekuti vakangotanga nekubata
muromo vachibva vaiendesa kuna vamwe sekuru vaivemo. Sekuru vaya vakangoti vachitarisa
vachibva vatsinzinya zvekurwadziwa vakati,

Sekuru.... Mbuya vaSandy ndionerewo zvandinoitirwa naRunyararo wako.

Umwe mukadzi akada kuita wechidiki akabva asimuka akatora foni iya kwakutanga kuona achibva
atanga kusekerera achibva anopa mbuya kuti vaonewo.

Her.... Ana Runya waiti zvoguma nepi wakandirambisa kumurume iwe ukarara nemurume wangu
waiti ndichinyunyuta yako marriage inosvikepi.

Sekuru..... Runyararo ndiwe wakarambisa Ruva kumurume hee ndiudze?.


Ruva..... Zvenyu baba, vakaramba kuti ndikuudzei nyaya yakaitika vachiti Runya anozorambwa
nemurume vese namai vaimusapota ava.

Mbuya..... Haaa iwe Ruva nyarara uko.

Ruva.... Tino budai muno vanangu budai munganzwe nyaya dzisina basa muchiri vadiki.

Pakasimuka vasikana vaviri vachienda panze, vaive vatokura zvekusvika kuzvi form 4 uko.

Mai Sandra (Runyararo) ..... Siyana neni shamwari wakaputsa imba yako wega.

Ruva..... At least handina kuhura.

Mbuya..... Haiwa nyarara iwe.


Ruva..... Baba muri kuvaona mai vanoda munhu anenge ane mari panguva yacho.

Kule vakabva vazevezera kuna vaMoyo, I guess ndivo vaive munyai.

Moyo..... Sekuru hanzi nemukwasha mari iyi imba yaramba kumira.

Mbuya..... Hiiiii baba Sandy mwanangu hino sugar ndichapiwa nani?, dai wadzora Moyo.

Ruva..... Haiwao imi mhai nyararai uko, chamunoda imari chete hamutarise mufaro wemunhu.

Mbuya..... Ndokudzinga pano.

Ruva.... Ndagara ndiri kubva nevana vanhu ndakatenga musha kugomo uko. Baba ndakavaudza ndiri
kutoenda mangwana chaiye.
Mai Sandy.... Wakuda kunonyatso hura handiti.

Ruva.... Ndiri nani ndinohura ndichiita vana nemunhu mumwe.

Mbuya.... Buda muno Ruva buda.

Ruva.... Mukuvaona baba vane favour ava.

Mai Sandy..... Nyarara uko imbwa yemunhu ndosaka wakarambirwa upfende.

Ruva..... Ndirinani ko iwe wakarambirwa chihure.

Mai Sandy.... Haiwawo benzi remunhu. Haugoni kana kutsvaga murume musvinu rombe iroro rombe
wairidii.
Ruva...... Ndiri nani ndaisa hura, ko iwe waichengetesa munhu mwana asiri wake.

Everyone..... What?

Mai Sandy..... Ndokurova Ruva.

Mbuya..... Imbwa yemunhu.

Sekuru..... Nyarara!, Ruva wati chii?.

Ruva..... Runya ngaakuudzei nyaya dzake ega.

Sekuru...... Ruva ndakamirira iwe.


Ruva..... Ngaataure ega.

Mai Sandy vakasimuka vakatora huni mumoto kwakurova munin'ina wavo nayo pachidya hembe
yaaive akapfeka yakatodimbuka. Ndakasimuka ndikanobata Mai Sandy ndikavatsveta pasi.

Ruva..... Kundipisa kwawaita ndave kuto vaudza zvese.

Mai Sandy..... Nyarara uko.

Ruva.... Bamukuru Sandy haasi mwana wenyu, sisi vakaita nhumbu vari kuno vakakunyeperai kuti
vave kunoponera kumusha, vakamupona a month before mwedzi wavaifanira kupona nhumbu yaive
yasabhuku.

Sekuru....Aaaa! mira, mira, ndakambozvinzwa kudoro.

Sandy...... Mama
Sekuru..... Sandy haasi kuzogara pano anoenda kumba kwababa vake, mukwasha maita basa
mufambe mushe.

Sekuru vaya vakabuda vakatsamwa, Mai Sandy vakachizochema manje. Ruva uya akabva atoti
ndave kuenda kunorongedza handingagari naRuva.

Isu takasimuka tave kubuda kuti tichienda. Takawana zvinhu zvese zvatove panze tikabva tatopinda
mudzimota tave kudzokera, kunze kwaive kwatosviba.

Pakudzokera taifamba chaiko zvekuti takapinda muHarare 9 isati yachaya, mota dzakanomira
mutown. Tose tikaenda kumota yakule Lee taida kunzwa kuti taizo famba sei.

Kule Lee..... Toenda kumba kuBudiriro tese ka, tonorara ikoko.

Me ..... Ini ndoda kunoona Joel, pane zvandiri kuda ikoko saka handikwanise.
Daddy..... Taidei taenda but ini mangwana kubasa handina kumbogadzirira.

Mai Chris..... Lee kumba ndichiri kukutya endai ndonorara kwaJoel.

Kule lee..... No handei kumba.

Chris..... Tichauya kule.

Kule Leon.... vasiye vaende, Leeroy toonana mangwana.

Daddy..... Angel handei.


Me ..... Angel haaende kumba kuna Mai venyu achauya vasisiko.

Daddy..... Kubva nhasi ndiko kwaachagara.

Ndakanzwa hasha ndichibva ndati,

Me..... As long as am alive, she will never step her foot in that house kana Yolanda, Natasha
nambuya variko.

Daddy..... Kuti mwana wako here, Angel handei.

Me..... Angel hakuna kwauri kuenda.

Angel..... Ndiri kuenda nadaddy.


Me..... No problem but never come to me again if you are in trouble, as for me, my life is okay bye.

Ndaive ndava nehasha. Ndakabva pavaive ndichimhanya. Ndakasvika ndichivhura door misodzi
yangu yazara ndakapinda mumota ndichibva ndavhara door kwakurirovera ndichibva ndamutsa
mota ndave kuenda kumba kwaJoel. Ndakasvika ndichimisa mota kwakupinda mumba ndakazara
nehasha Joel ndiye akanditambira akatoona kuti ndaive ndakatsamwa.

Takagara pasi ndakamurondedzera zvaive zvaitika.

Joel.... Ko Mai Chris vachadii vawasiya?.

Me..... Enda unovatora.

Akabva atofona akaudzwa kuti vaive vatizwa naAngel uye vaimutsvaga. Hana yangu yakarova
ndichibva ndasimuka ndichinopinda mumota ndave kunotsvaga Angel......
End of Chapter (2020)

31

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Kushaikwa kwakaitwa Angel kwakandiitisa stress nenguva diki diki. Takasvika mutown tisina
kumboona munhu munzira.

Joel akabva asvikawo achibvunza zvaive zvaiitika.

Mai Chris..... Angoti anoda kuenda mutoilet pawabva saka tamira for 30 mins ndikanomutarisa
ndikawana asiko. Ndabvunza mukadzi anga ari padoor ati munhu iyeye haana kumbopinda mutoilet
angosvika nekudarikira.

Ndakanzwa kubhoila nehasha.

Mai Chris..... I believe she doesn't want to upset you, maybe aenda kumba kwaJoel.
Joel.... Haako uyo plus hanzi anga asina kana mari. kana juzi.

Me.... Joel enda nana mama kumba ndimutsvage.

Ndakabva ndatofamba ndichibva pavaive. Daddy vakabva vandibata ruoko.

Me..... What do you want?.

Daddy..... She is your sister.

Me..... I know that very well and you know what, Imi sababa vedu hamuna kana 1 day
ramakambozama kuti batsira kutsvaga reason iriku konzera mafeeling pakati pedu but kuda kuti
paradzanisa by force. That will never work, never. You know what, I have slept with more than 20
girls trying to force myself not to love her. The only person who helped us is Cynthia, she supported
us not because aisapota chihure but aizama kuti batsira kutsvaga reason behind this. Yes you want
to take her away from me because tapotsa taita accident tichikisana.
Vanhu vese vakabva vanditarisa vachishamisika.

Me.... Daddy do you know kuti Angel anononoka kufunga, Zvaanotanga kufunga kuzviuraya, how
many times Angel achimukira kuchipatara but you don't care?. Do you think am that useless
zvekutadza kuzvi controller kusvika pakurara naye. Dai ndaida kurara naye tatove nemwana wechi2
so but I respect her, you and mom. And if you want me to respect you think like a man. You know
very well kuti mbuya nabamukuru vanoda kumuuraya but ndiko kwamuri kumuendesa. Let me tell
you something, if anything happens to Angel because of you, I promise you will regret the day you
were born.

Ndakabva ndatotanga kufamba ndichibva pavaive ndichienda kumota. Ndakapinda mumota


ndichibva ndatanga kufamba ndichienda neroad yekumba kwaJoel. Ndaifamba zvishoma
nezvishoma asi handina munhu wandaiona. Ndakasvika pamba paJoel ndichibva ndasiya mota
kwakutanga kufamba ndichidzokera mutown netsoka apa ndaive ndisisina foni ndaive ndaisiya
mumota. Ndakabva ndatanga kufamba netwuroad twandinofunga kuti twunodimbudzira asi
handina kuona Angel. Ndaiti ndikambomhanya ndombofamba asi Angie ndaisamuona. Ndakapinda
mutown ndaneta apa pave pakati peusiku. Chinhu chandaitya kuti Angel aigona kufunga kuzviuraya.
Ndakatanga kumhanya mutown ndichisheedzera Angel apa maive makati zii mapurisa
andaisangana nawo ndaingomaudza munhu wandiri kutsvaga vaingoti vakamuona vaizomuendesa
kukamba.

Kunze kwakasvika pakuchena ndisina kuona Angel apa ndaive ndaneta ndakaita kuzara ziya
mumuviri wese. Muviri wangu waive wave kurwadza remember ndaive ndaita usiku hwese
ndichimhanya, ndakabva ndafunga mashoko akambotaurwa naJoel,

" That man is everywhere"


Ndakabva ndatosimuka pandaive ndakagara kwakufamba. Ndichisvika pana forth ndakabva ndaona
taxi yaiburutsa munhu ndikaenda payaive,

Me..... Ndeipi shamwari ndodaoka kusvika paHatfield but pay forward.

Him.... Pay forward handisiite wangu but sezvo ndagara ndichienda kuHat field ndogona
kukutakurai, murikuenda papi pacho.

Me..... Haaa zita renzvimbo handirizive but ndikasvika ndopaziva.

Him.... Panumber ani?

Me.... Sorry wangu handitombozive zvese izvozvo.

Him.... Hoo pamwe ndogona ndichipaziva panonzi pani?.


Me... Meraa

Akabva akasira kutendeuka kwakunditarisa achibva aramba akangonditarisa.

Him.... Meraa, muri hama yeko kana kuti ndezve basa aaaa zvamunenge makafanana namudhara
Meraa.

Me.... Ndine zvandoda kwavari.

Him.... Okay but mudhara Meraa haagare kuHatfield kungori neimba yake chete but haagariko.

Me.... Shit saka anogarepi?.

Him.... KuMandara.
Me.... Please kana muchikuziva ndiperekedzeiwo.

Him..... Ko kana muri tsotsi?.

Me.... Kana mune number yavo vaMeraa call him muti ndina Daniel anoda kukuonai please help me.

Him.... Okay ndakuenda nemi but handisvikepo.

Mota yakamutswa tichibva tananga kuMandara. Takasvika paive nedurawall rewhite rine tublue
achibva amira.

Him.... Chiburukai mukuru, gate riri pamberi apo iro.

Me.... Handeika ndinopiwa mari yenyu.

Him.... Iwe mudhara Meraa unomuziva here.


Ndisati ndapindura pane munhu akangojamba achibva mumuti waive pedo nesu achibva arova rova
hwindo, driver wangu akangoti

"Shit" achivhura hwindo.

Driver .... Sorry mukuru ndaperekedza ava vanoda kuona VaMera.

Murume uya akabva anditarisa.

Him.... Kuona vaMeraa this time. Buruka tione uchaudza vamwe, iwe taxi driver you can go.

Me... No handiburuke ndoda kunoona vaMeraa vape munhu uyu mari yake coz tatenderana pay
forward.

Murume uya akabva aseka.

Him.... Driver hande pagate.


Akataura achibaya baya foni yake.Mota yakatanga kufamba tichienda kugate. Takasvika ichibva
yamira gate richibva ravhurwa neumwe wevarume vandaive ndakamboona. Pamba pacho paive
nemazilight saka wainyatsoona. Ini ndakabva ndaburuka murume uya achindiona akaratidza
kukatyamara.

Me.... Ndingaonawo vaMeraa.

Him.... Vachakarara saka mogona kuvamirira muri mukati.

Me.... No vamutsei ndinoda kuti vandipewo mari yeuyu uye ndoda kutaura navo zviri urgent.

Him.... Imarii?.

Driver akabva apindura achibva apiwa mari yake isu tichibva tatanga kufamba tave kupinda mukati.
Imba iyoyo yaive yakanaka zvekuita sekuti ndipo pamba papresident kani. Uye yard yacho yaive
hombe. Takapinda mumba ndichibva ndanzi ndigare pasofa, pasina nguva kwakauya munhu
necoffee.

Me.... Handidi coffee ini ndati ndoda kuona Meraa.


Ndakataura zvine hukasha mukati. Murume wandaive ndabva naye kugate akabva abuda hameno
kwaaienda. Hapana kutora nguva ndakanzwa voice raMeraa richiti,

Meraa.... ko madii kundimutsa paasvika pacho. Ndakabva ndasimuka kwakutendeuka ndichibva


ndatarisana naMeraa. Ndakanzwa shungu dzekuda kuchema ndichibva ndamhanya ndichinowira
mumaoko avo ndichibva ndatanga kuchema. Vakatanga kundipuruzira kumusana
vachindinyararidza. Shungu dzangu dzakazoderera vachibva vafamba neni kwakunondi garisa
pasofa vachibva vagarawo kwakutora musoro wangu vachibva vaisa paChest pavo
vakandimbundira. Pakabva pauya munhu nemvura vachibva vandipa ndikanwa yakawanda.

Meraa.... What's wrong my boy.

Me.... Angel.

Meraa..... Hanzii naAngel?.

Me.... Handisi kumuona.

Vakaita kakuvhunduka vachibva vanditarisa ndakabva ndatanga kutsanangura zvese zvaive zvaitika.
Vakabva vati munhu anotora mafoni avo
Nyasha Meraa.... Ko wakadii kundiudza nezuro kwacho nhai Daniel. Ini ndine maenemies
akawandisa haaa okay, mira tomuwana soon don't worry handiti.

Me.... Ko ma enemies enyu angadirei kundiattacker.

Meraa.... Very soon you will know my dear.

Vakabva vatambidzwa foni vachibva vaenda pacomputer kwakubaya baya. Pasina nguva vakadzoka
vakagara pasi vachingobaya foni yavo. Ndakazoona kwapinda varume 5 vaive vakaita mazi giant.

Meraa.... Tora mapapics ari Apo undipe.

Akabva auya mapics aya ari 10. Ndakatarisa ndikaona ari aAngel. Ndakashaya kuti vaive
vamawanepi.

Meraa.... I want to see her before 9am today.

Varume vaya vakangogutsurira musoro vachibva vatanga kubuda ndakatarisa time ndikaona dziri 5
am ndabva ndaziva kuti vaive vapiwa 4 hours. Ndakango dzungudza musoro. I wonder kuti mudhara
uyu aimbonyanyoita nezvei chaiita atyiwe kudero.
Vachibuda varume vaya vaMeraa vakabva vaisa foni yavo paarm resofa kwakubuda. Vachingobuda
ndakanzwa foni iya kurira kuratidza kuti yaive yapinda sms ndakaitarisa ndichibva ndaona pic
rangu pa wallpaper yavo apa raive raka editwa nera Cynthia, ndakashayiwa chavaizviitira. Ndakabva
ndangosiyana nazvo. Vakadzoka vaine chikafu mutray,

Mera..... Handizive kuti unofarirei. Ndaisa zvekuti umbofano bata dumbu unofarirei.

Me.... Maita basa but handina nzara handina kana appetite.

Meraa.... Don't worry my son, everything will be fine in a month's time.

Me.... Mmmmmm, zvangu zvinotoda makore.

Meraa .... No soon, everything will be okay.

Me..... And Cynthia?.


Vakabva vatura befu vakadonhedza misodzi..

Meraa.... I regret zuva randakatanga politics.

Me.... Chii?

Meraa..... Idya Danny idya tione.

Ndakabva ndatanga kudya vachibaya baya foni yavo pandakapedza vakabva vanotora juicy
vachibva vandipa. Ndisati ndanwa, makabva mapinda doctor akabata kabox. Ndakabva ndanwa
juice Riya kwakutanga kunzwa kupera simba.

Meraa.... Do it fast please.

Ndiwo mashoko andakapedzesera kunzwa iwayo.

End of Chapter (2020)


32

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Ndakapepuka ndichiita kunzwa kadzungu mbijana ndave kuda kusvinura ndakanzwa voice raMeraa
richiti,

Meraa..... Sorry Lisa

Lisa.... Haishande ndisina mwana wangu Nyasha.

Nyasha.... I promise I will do what ever it takes kuti mwana wedu adzoke.

Lisa..... Cynthia haasi mwana wako Nyasha.


Nyasha..... I know but ndongokuda navo vana vako vese ndochengeta.

Lisa..... Wakundibhowa manje wakadii kuzviita kare izvozvo plus ini vana vangu havachengetwe
nababa vasiri vavo.

Nyasha.... Ndazvinzwa Mai Chris. Ndokumbirawo kuzokuona any day uri free.

Lisa ..... Handidi kuonana nemhondi ini.

Nyasha..... Lisa

Lisa..... Usandibate mhani Nyasha mwana anomuka.

Nyasha..... Kana uchitya mwana handei kuspare.

Lisa..... Pfutseki ndizvo zvinongofungwa izvozvo.


Nyasha.... Lisa sorry, ok fine ndikatsvaga Cynthia ndikamuwana unondiregerera?.

Lisa..... Ndakuudza kudhara kuti handichade zvemurume ini.

Nyasha.... Lisa.

Lisa.... Hee

Nyasha..... Nditarise mumaziso undiudze kuti hauchade murume.

Lisa..... Aaaa

Nyasha..... Ooh that means uchiri kundida.


Lisa..... Ndoidii mhondi, rapist.

Nyasha...... Lisa sorry, I raped you.

Lisa..... Ndakuda kudzokera ini.

Nyasha..... Mira ndikuudze something.

Lisa.... Chii?

Nyasha..... I enjoyed pandaikuraper am sorry to say it but I enjoyed and thanks nekuzvichengeta.
Lisa...... Aaaaaa!

Nyasha..... Uchiri kunyara iwe wachembera kudai.

Lisa..... Nxaa saka unoidii chembere.

Nyasha..... Sorry babe uchiri kasweet 16 kangu.

Ndakatadza kuzvibata ndichibva ndaseka, havana havo kuzvinzwa nekuti ndaive ndava kukosora.

Meraa..... Mamuka

Ndakabva ndasvinura ndichibva ndatarisa time kwakuona dziri past 2 masikati hana yangu
yakarova.
Me..... Angel

Meraa.... Relax achakarara.

Me..... Mamuwana

Meraa.... Yes muka umbogeza.

Me..... Ko apa ndaita sei?.

Ndaitaura chigunwe chaive chakaiswa kabandage. He smiled and kissed my forehead kwakuti,

Meraa.... Ndakabaya netsono by mistake, Sorry.


I just smiled vachibva vakabvisa kabandage kaya paisamboratidza kuti pakabaiwa . Ndakapiwa
towel ndichibva ndapinda mubathroom kuti ndigeze, ndipo pandakanzwa zvakunzi namai Chris,

Mai Chris... Nyasha you have changed chii?.

Nyasha.... Lisa zvese zvandaiita inyaya yekuti ndaikuda and I wasn't ready kugamuchira zvaivepo and
am sorry.

Mai Chris..... I hope there is nothing behind your sorry.

Nyasha..... Nothing but love.

Mai Chris.... Aaaa hanzi naLeeroy kana tapinda muMandara tofamba sei.

Handina kuzomirira zvakapindurwa ndakabva ndaita fast kugeza Nyasha akapinda ndave
kutopukuta zvikanzi,
Meraa.... Hembe dzekupfeka idzi.

Ndakatambidzwa hembe dzaive itsva ndoshaya kuti vaive vadzitenga nguvai. Ndakapfeka
ndikafitwa zvekunyanyisa apa hembe dzacho dzaive dzemari dzakanaka zvisinga tsanangurike.

Ndakabuda mubathroom ndikaona Mai Chris vakagara pachair Nyasha pabed hameno zvaitaurwa.

Meraa..... Wotanga wadya kana kuti unoda kunoona Angel hanzi amuka.

Me..... Ndoda kuona Angel.

He smiled vachibva vabata foni yavo, pasina nguva makanokewa,

Meraa.... Arikuuya, Dee perekedzwa nemunhu ari padoor kunaAngel.


Mai Chris.... Neni ndoda kunotaura naye.

Nyasha..... Haaa Lisa, chimbopa vana nguva yavo.

Mai Chris.... Ihanzvadzi nehanzvadzi.

Nyasha..... Saka havadewo time vese here.

Mai Chris..... Makazotanga kutaurisa riini.

Meraa ..... Daniel enda zvako mwanangu zvamai vako ukazviteedzera ungaita gore rese uri ipapo.

Ndakabva ndabuda ndichisiya vanhu vachiitisana nharo. Ndakateera mukomana uya ndichibva
ndasviko ratidzwa door racho. Ndakangovhura ndichipinda akavhunduka Angel nekuti aipfeka, apa
aive akangopfeka pant chete. Akabva amhanyira kutora towel kwakuzvivhara. Ndakabva ndavhura
maoko angu ndichida hug. Akaramba akamira akangonditarisa.
Angel..... Ndirikuda kupfeka.

Daniel.... Tanga wandimhanyira kupfeka ndogona kungokupfekedza.

Akabva afamba zvishoma nezvishoma achiuya. Ndakatozo pedzesera ndaenda kwaaive ndikano
mukakata ruoko kwakumumbundira towel rikabva radonha.

Zvandainzwa ipapo ndakatoona kuti kukunda muyedzo wacho kungobuda kuti apfeke hake.

Me..... Pfeka ndodzoka izvezvi, be fast.

Ndakabuda ndikamira padoor. Ndaive ndakazvipa mutemo wekuti handibate hembe dzake
kudzibvisa chero zvodii. Pasina nguva akauya akavhura door, ndakapinda ndichibva ndamusimudza.
Angel.... Am sorry Daniel.

Me.... For what?

Angel.... Kukutiza..

Me.... Waivepi ndakakutsvaga the whole night?.

Angel.... Ndaive ndaenda kuall night prayer pandakabva paive nana daddy ndaisada kuenda navo
kumba uye ndaisada kuenda newe so ndakaona kuenda kuchurch was a good solution.

Me.... You should have told daddy ka.

Angie.... Am sorry.
Me .....Am sorry about what happened yesterday and thank you for saving our lives.

Angie.... Not kiss?

Daniel..... How can I say sorry ini ndichiri kutoda kiss yacho.

Akabva atarisa pasi ipapo foni yangu yakabva yapinda sms, ndakaibuditsa muhomwe ndikatarisa
yaive yakanzi,

Please don't disappoint me Daniel, don't sleep with her please.

It was from Meraa ndakangosekerera kwakuidzosera muhomwe. Ndakabva ndatanga kutaura


naAngel. Ndakazongo yerekana ndave kutomukisa. Ndakakasira kumusiya ndichiziva kuti ndakango
ramba ndinaye ndaizokundikana. Nguva yanga yareba ndichizvishingisa ndaive ndave kunzwa kuti
hazvichashande. Ndakabva ndamubata ruoko kwakuti handei kusitting. Takasvika tikagara zvedu.
Pasina nguva Mai Chris vakauya vachionekwa pachiso kufara.

Mai Chris..... Aaaa ko muri kuno.


Me.... Yes.

Mera akabva apindawo akasviko gara pasi.

Mai Chris..... Huya tigare pano Angel.

Meraa..... Lisa siya vana aaa.

Mai Chris..... Baba vacho vanotsamwa vakawana vakagara paduze napadhuze.

Meraa..... Usanzwe zvako iwe chero vakatsamwa vanopora havozve kkkkkkk.

Padoor pakabva paita knock richibva ravhurwa.


Sekuru Lee ndivo vaive mberi teerere sekuru Leon koti daddy, Chris ari kumashure. Chris akasvika
akagara paive namai vake then Leon paive naMeraa. Sekuru Lee vakabva vagara nadaddy. Vanhu
vakamhoresana zvikanzi naKule Lee,

Kule Lee.... Ko iwe unongotuma vanhu kuzotora hanzvadzi yedu tisingazive kwakanaka?.

Nyasha..... Aaaa sorry vana sekuru paresveka. Ndangandati sezvo varikutsvaga Angel ndamuwana
vauye kuzomuona.

Kule Leon...... Hoo saka wamukidnapper ukazomudzosa?.

Angel..... Ndakarara kuchurch yeZAOGA paive neall night prayer ndandisina kukidnappewa.

Daddy..... Ko wakaenderei usina kutaura?.


Angel akabva aramba akanyarara.

Me..... Aisada kuenda nemi kana neni saka akaenda kuchurch.

Kule Lee.... Saka iwe wazomuwana sei.

Nyasha..... Ndatuma vanhu kuti vanomutsvaga.

Kule Lee.... Saka kana uchigona kutuma vanhu chaizvo uri kudii kuzviitira Cynthia.

Nyasha akangotsikitsira musoro pasi asina kupindura,

Kule Leon...... Taura ka nhaiwe, taikuregerera mazuva aya uchiita zvaunoda nehanzvadzi yedu takura
manje iye zvino topedzerana.
Ndakatarisa Nyasha ndikaona misodzi ichidonha pamakumbo ake. Ndaiziva chose kuti pese
paitaurwa nyaya yaCee vaichema. Ndaishaya kuti chaive chii,

Nyasha..... Sorry vana sekuru asi ndipei mwedzi umwe chete ndoziva kuti ndinenge ndamuwana.

Chris..... Mwedzi.

Kule Lee.... Nyasha zvako zvauri kuti mwedzi izvoka ndezvekupenga, ndirikukupa 2 weeks Nyasha.

Nyasha...... It's okay thank you.

Kule Lee.... Okay takuenda isu.

Nyasha..... Pane zvandangandichida kukuudzai.


Kule Leon..... Taura tifambe nguva dzichiripo.

Nyasha..... Shalom haana kufa mupenyu.

Kule Leon..... Hee!

Vakatendeuka vatove muhasha vachisvika vachipa Nyasha chibhakera.

Mai Chris vakabva vasimuka vakabata hanzvadzi yavo,

Kule Lee..... 8yrs ndichiti mwana wangu akafa iwe wakamuchengeta 8 yrs, Lisa ndisiye
ndimbomurova.

Mai Chris.... Munouraya munhu baSandy.


Kule Leon..... Asi uchiri kumuda.

Mai Chris ..... Handina kudero asi.

Kule Lee.... Ibva pamberi pangu Lisa.

Nyasha...... Vasiye Lisa.

Sekuru vakasundidzira mama vachibva vatanga kurova Nyasha. Nyasha haana kana kumbodzosera
ainge akangozvivhara nemaoko chete. Uku kule Leon vaive vakabata Mai Chris, Mai Chris
vachichema kuti siyai Nyasha. Ndakazosimuka kwakubata sekuru Lee.

Me.... Manje mukavauraya Shalom wacho momuwana sei.


Vakabva vatanga kufemereka, Mai Chris vachingoregedzwa vakabva vamhanya paive naNyasha
vakatanga kumupukuta ropa nehembe yavo apa vachichema. Chris akangodzungudza musoro
akavatarisa. Kule Lee vakabva vabata Mai Chris pahuro nehembe,

Kule Lee.... Lisa unonzwira mhondi iyi tsitsi kuti zvidii hee?.

Lisa..... Ndibaba vevana vangu Leeroy.

Kule Leon.... Unofunga nepai ko iwe hee.

Kule Lee..... Hure remunhu.

Lisa ....22 yrs ndisina kumbosangana nemurume wakunditi hure nhasi,Leeroy, Leeroy, Leeroy.

Vakabva vatanga kuchema vachinogara pasi paive naChris. Kule Lee vakabva vabata Nyasha,
Kule Lee.... Aripi mwana wangu?.

Nyasha..... China

Kule Lee..... Ndirikumuda in 3 days time.

Nyasha..... Hazviite anotozouya after 2 weeks, arikunyora maExams ake.

Kule Lee..... Mhondi yemunhu mhondi, zvima exams hazvina basa ngaauye mwana wangu.

Nyasha...... Chero akauya iyezvino anogona kukurambai. Vakapedza kumudrainer drug riri mumuviri
make rinoita kuti akanganwe zvakaitika anobva auya.

Kule Lee .... Uri muroyi waitorerei mwana wangu?.


Nyasha...... Ndakanzi ndimutore namai Sandy mushure mekunge ndavaona pahotel vaine umwe
murume. Kumutora kwandakaita ndaida kuti panouya Lisa, Mai Sandy vogondiudza ndaive
ndatenderana navo kuti vakandiudza ndochivapa mwana wavo, so ndakabva ndatotanga kuti
adrainewe. In the process yekuda kuparadza Lisa, I found something important chakandichamisa kuti
Lisa is innocent.

Vanhu vese vakabva vashamisika vachitarisa Nyasha. Vaive vakamira vakabva vagara pasi.

Kule Lee..... Chii chawakaona.

Nyasha...... I don't have any evidence now but am sure zvandiri kufunga ndizvo.

Kule Lee.... Zvii zvauri kufunga.

Nyasha..... If I tell you now, you will disturb my investigations but l promise in the next 2 weeks, I will
come with my full evidence.
Kule Leon..... Chitaura chokwadi, l think demon renhema rambotama, where is Cynthia?.

Nyasha.....l am telling you the truth vana sekuru. Nditoriwo stressed nenyaya yake but chandave
kuziva ndechekuti mupenyu kwaari ndiko kwandisati ndaziva.

Kule Lee.... How do you know kuti mupenyu?.

Nyasha..... Ndakarota mai vangu vachindiudza.

Kule Leon..... Unopenga unga believer zvinhu zvehope.

Nyasha..... That's why ndamboti even if I tell you, you will never agree with me.
Foni yangu yakabva yarira vaive mama,

Me..... Hello

Mama.... Chiuya mutown Daniel ndiri mutown.

Me.... Okay

Ndakakata foni ndichibva ndaoneka.

Kule Lee.... Nyasha tave kuenda but ndikasaona Shalom naCee in 2 weeks time uchaona chero
kun'anga ndoenda.

Takabuda takadungamidzana. Ndaive ndava kunotaura naMai vangu manje.


End of Chapter (2020)

33

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Munzira kuenda mutown tese taive mumota imwe chete. Mai Chris vaive vakazvivhara kumeso
nejacket ravo. I guess vaichema asi handina kuda kutaura navo panguva iyoyo. Ndakafonera Joel
ndichimubvunza paaive ndakamuti tisangane mutown.

Mumota maive nerunyararo rwunotyisa. Chris ndiye akazopedza runyararo,

Chris.... Mom it's better timbonogara kuMasvingo.

Me....Why?

Chris.... Zvobatsirei kugara kuno vachigara vachingochema. KuMasvingo taigara tichifara every time.
Me.... Mama very soon zvese izvi zvinenge zvapera don't worry vanhu vari kuimba yangu yandasara
nayo varikubuda month-end, ndoda kukupai imba iyoyo. Mogara kumain house, cottage moisa
malodger. Everything will be ok mama, don't worry.

Kule Lee..... Imba yake iriko yaakasiirwa namama.

Mai Chris..... Handiide ini imba yandinogara ndichiudzirwa chihure.

Sekuru vakabva vatsika mabrakes kwakumira.

Kule Lee.... Sorry Lisa ndataura nehasha, sorry hako.

Mai Chris..... Leeroy zvawataura zvatondiratidza kuti kwauri ndiri hure, pandakabva kuno hapana
aimbozamawo kundisupporter
Kule Lee..... Iwe kana uchisupporter munhu akaita saNyasha unoda ndikudeedze kutii?.

Mai Chris.... Nyasha murume wangu unoda ndisamusupporte ndisupporte ani?.

Kule Leon..... Lisa usade kusimudza hasha dzangu wanzwa ndokurova wakura kudai.

Chris.... ( Achivhura door) mama burukai.

Kule Lee.... Kwana iwe kuburuka muchiendepi pinda mumota uko.

Chris.... Sekuru ka, kunyarara hakusi kupusa Ini zvekutaura handidi mama burukai tione.

Mai Chris..... Chris...


Chris.... Mama handina chandoda kunzwa kwamuri ndati burukai.

Ini ndakabva ndavhura door side randaive kwakuburuka,

Angel..... Ukuendepi?.

Me.... Kunoona mama.

Angel.... Ko ini?

Me.... Kudii kwako.

Angel akabva atojenga misodzi, ndaida kuti baba vake vapindure ivo vaiti mwana wangu, mwana
wangu. Ndaona ave kuda kuchema ndakabva ndavhura maoko angu kuti auye. Akangoburuka
nekundimbundira. Daddy vakabva vatsikitsira kwakuto tsinzinya. Pakarepo foni yangu yakabva
yarira aive Joel ndakamuudza pataive akati aive ava kuuya.
Me.... Chris, Joel Ari kuuya moenda kumba ka naAngel.

Angel ..... Ndoda kuendawo kuna mama.

Me..... Zvatinoda kunotaura zvoda vanhu 2 chete so ndiri kuenda ndega Angel.

Angie..... Ndasuwa mama.

Me.... Okay fine Joel akauya moenda mototengerwa chikafu then monogara kusurgery kwake.
Ndichakudeedzai kana ndapedza kutaura na mama. Ndizvo Mai Chris vaonewo mama. Sekuru Lee
vakabva vaburuka mumota vari muchick.

Kule Lee.... Lisa tiri kuenda kumba zvako zvekuda kuenda kwaJoel kwaunoziva kuti unobuda time
yaunoda uchinohura naNyasha zvofanira kupera nhasi.

Mai Chris..... Handina kumba kwandiri kuenda ini kanganwa nezvangu.


Kule Lee...... Handidi kukonana newe Lisa.

Chris..... Makatadza kubatsira Mai vangu pavaida help yenyu nhasi ndopamakuita as if you care.
Maivepi tichikura tichishaya kana shangu yekupfeka.

Kule Lee.... Ndiye akatiza ega uyu.

Chris..... Kutiza vaive vatoona kuti hamuna help mulife yavo. Please sekuru tichiri kuda kurarama a
happy life. For the past 22 yrs handina kumboona Mai vangu vaine boyfriend kana kunzwa kuti
vadanana nanhingi. Akatombouya murume musvinhu ndave form 3 ndikavanyengetedza kuti
vawanikwe asi vakaramba only because she values herself. Kurera vana uri single mother
kunorwadza especially pasina kana hama 1 zvayo inokwanisa kukubatsira. Please sekuru nemoyo
murefu ndokumbirisawo mumbosiyana nelife yamama she is old enough to decide zvavanoda.

Kule Lee..... Fine usandifonere futi asking for help Leon handei.

Ndiko kubva kwakaita vana Sekuru. Mai Chris vakasara vachichema. Daddy vaive vaenda nana
sekuru. Joel haana kunonoka kusvika akakasika, achibva atora vana Mai Chris, ini ndikafamba ndave
kuenda kunoona mom vangu. Ndakawana vakagara muHarare Gardens mataive tatenderana
kuzosangana. Vachingondiona vakandimhanyira.

Mama..... Aripi Angel ndangandati muchauya mese zvemarooro zvacho zvipere mwanangu.

Ndakavambundira kwakufamba tikanogara pasi.

Me..... Makadiiko mama.

Mama.... Ndiripo fonera kaAngel.

Me..... Mama handiti ndini ndakushevedzai here , mirai nditange ndataura zvandiri kuda.

Mama.... Okay.
Me..... Mama

Mama..... Yes

Me.... Mama

Mama.... Daniel.

Me.... Ndoda kuti mundiudze chokwadi mama, I know kuti bamukuru is blackmailing you saka ndoda
kuti mundiudze zvavari kukuitai.

Mama..... No hapana nyaya mwanangu handitaure navo.


Me.... Fine saka ndipei foni yenyu nditsvage ndega.

Mama.... Aaaa Daniel, hauchanditerere mwanawangu.

Vakabva vatanga kuchema. Ndakavasiya vakadero ndichibva ndatotanga kubaya baya foni yangu,
pave paya vakabva vanyarara.

Me..... Tichingori pasame issue, tell me zvese zviri kuitwa naBamukuru.

Mama.... Kana usingade kuti Angel achate ndave kuenda Ini.

Me..... Kuenda kupi, hapana kwamunoenda kana ndisina kuziva chiri kuitika pakati penyu
naBamukuru.

Mama.... Ndati hapana.


Me..... Fine mama kana pasina ndipeiwo foni yenyu pane zvandiri kuda imomo.

Mama .... Yapera moto.

Me.... Ndine power bank.

Mama..... Aaaa iyi inonetsa touch yakafa ini.

Me.... Mama murikuona tuma excuses twenyu tusina basa twunotondiratidza kuti mune nyaya,
manje nhasi tiri kuzorara pano. Zvekushanda nevanhu vano blackmailwa no. Daddy ndakataura navo
vakandiudza zvavo sare imi taurai tione.

Mama.... Ndakazviziva mhani kuti bamukuru ava vane zvavari kuudza baba Daniel chete, vaivati
chii?.

Me..... Kana mangondiudza zvenyu ndobva ndatokuudzai zvadaddy.


Mama ..... Ini handina.

Me..... Mama handisi benzi, right kana makamboita mwana kusango taurai. Kana ini or Angel tisiri
vana vadaddy taurai. Kana makauraya munhu taurai or makamboita chipfambi henyu.

Ipapo vakaita kakuvhunduka,

Me..... Mama zvekuti makahura zvotauriranwa zvikapera mukatogara a free life. Okay, ko ivo
bamukuru vakati ndipe mapaper edzimba ese ndipedze nyaya iyi motangira papi, chingotaurai daddy
havanetse vanotori nedzavowo hombe.

Mama..... Ndedzei?

Me.... Mama taurai nyaya yenyu asi makamborara naBamukuru?.


Mama.... No, how can you think of such a thing, Bamukuru hure riya ndiite chirwere zvangu.

Me.... Ko vakati huyai murare neni ndokuti nyaya yacho ipere?.

Mama.... No no no, Rueben you have destroyed my life.

Me.... Who is Rueben mama?.

Mama..... ( Vachivhundukira zvekare) did I just say Rueben, maybe ndaresva.

Me..... Fine ndakuudza daddy kuti mama vaiita chihure naRueben ndaona video yavo.

Mama..... Video aaaa ndi..ani ndiani akakuratidza?.


Me..... Ndakazvitsvaga ndega, rega nditovaudza.

Mama.... No mwanangu bamukuru vakandinyepera handina kumborara naRueben ini. Yes


takadanana ndiri musikana asi handina kumborara naye. Paakauya kuZim ndakangomuonawo
pahotel ndaenda kunoona baba vako. Ndakatodhumana naye padoor tikango mbundirana achibva
atoenda.

Vaive vava kuchema, ndakafara kuti at least vaive vakwanisa kutaura nyaya yavo.

Me.... Ko saka video iyi hanzii.

Mama.... Deleter mwanangu baba vako vakaiona vanondiramba, Bamukuru vakaedita ava.

Me.... Saka pamwe dzakasiyana yangu inoratidza kuti haina kueditiwa.

Mama..... tione
Me..... Tangai mandiratidza yenyu.

Vakamhanya kubaya foni yavo kwakundiratidza video iya apa vaive vava kuchema. Ndakatanga
kuona paive pakanzi Johnson Hotel, teerere mota but zvairatidza kuti zvakaeditiwa. Teerere mama
vakambundirana neumwe murume, ndichibva ndaona vave kufamba vachipinda mukati. Pakabva
pabuda mama vari muroom ine bed, paive nekarima pavideo yacho pakarepo makapinda munhu
akadzima light ndisina kuona kuti aive ani. Akabva atanga kufamba achienda paive namama
vachibva vatotanga kurara vese murima imomo ndaingonzwa ma sounds chete video ichibva
yapera. Ndakadzokorora kuona video iya ndipo pandakaona kuti video yamama vari muroom aive
mapics andakambo vatora kare varimubedroom mema guest aive 2 akagadzirwa se video
pavakazobuda vave mubedroom ndakanyatsoona kuti vaive vasiri asi aive munhu ane body seya
mama. Murume akapinda achidzima light ndakatarisisa ndichibva ndaona kuti aive asiri mumwe
chete neuya wekutorwa mapics navo pahotel. Ndakabva ndaisa video iya kufoni kwangu ndichibva
ndatanga kufamba ndave kudzokera paive namama ndakawana vachizvibaya nekuchema.

Me.... Mama this video is fake, ndini ndakakutorai mapics aya maive muguest room and ndichiri
nawo mapics aya, chimwe futi murume uyu aibuda apa haasi iye wamaka mbundirana naye
pahotel. Kana maienda kunoona daddy zuva racho, tinoenda kuhotel kwacho tonopiwa information
kuti makaita check in nguvai uye makabhuka room here.

Me.... I have tried that mwanangu asi zuva randakaenda kuhotel handicharizive.

Me..... Okay mama leave everything to me ndave kutsvaga maevents anoratidza kuti you are not
guilty, apa ndakutanga nemapics ndichanomatora nhasi then zvese zvima sms zvamaisenderwa
naBamukuru ndipei. I will deal with it within 2 days.
Pakarepo ndakabva ndaona foni yangu kurira, it was Meraa,

Me.... Hello.

Meraa.... Ko video yamasenda ndeyei nhai bambo?.

Me..... Video, let me check.

Ndakakata ndichibva ndatarisa. Ndakarohwa nehana ndichiona kuti ndaive ndaforwada video iya
nemistake kuna Meraa nekufamily group, kushata kwazvo mama vakazviona vakatanga kuchema
apa macomments mugroup aive ave kunaya. Pakarepo foni yamama yakabva yarira, ndakatarisa
ndikaona vari daddy. Mama vakabva vatanga kuhuta, ini ndaive ndava kuzvidemba nechandaive
ndatorera video iyoyo mama vakabva vadaira,

Daddy...... Zvinhu zvako ndaisa panze pegate usandifonere futi.

Me.... Daddy it's not..


Daddy..... Kana uri sewe nyarara wanzwa mese kubva nhasi handichade kukuonai mulife mangu.

Foni yakabva yakatwa. Mama vakairidza mhere kani. For sure, kana uri munhu anononoka kufunga
waigona kutozvibvuma.

Mama vakangotora foni yavo zvekubvuta vachibva vatanga kumhanya vachienda. Ndakatanga
kuteera. Ndati mhanye mhanye, ndipo pandakanzwa foni yangu kurira pabench, ndaive
ndatoikanganwa.

Ndakadzokera kwakuona ari Meraa aifona. Ndakangoti ndaizodaira kana ndave pari free.
Ndakamhanya ndichiteera mama, ndichingobuda muHarare Gardens, ndakavaona vachikwira taxi
ndikazama kuimisa asi yakabva yarova pasi. Hana yangu yakatanga kurova ndaiziva kuti mama
vaifunga sekuti ndazviita purposely nekuti ndaive ndisina kumbowana time yekuzvitsanangura.

Chandaive ndava kutya kuti vaigona kuzviuraya. Ndakazama kufona foni yavo ichibva yaenda
kuvoice mail apa taxi ndaiishaya.
VaMeraa vakabva vafona futi,

Me.... Mudhara ndasenda sms iyoyo nemistake apa ndaisenda futi kufamily group avo varipo
ndimomz vangu.....

Ndisati ndapedza kutaura pane mota yeblack yakasvika ikamira pamberi pangu muchibva
maburuka varume vaviri, umwe wacho akandirova chibakera foni ichinowira kwakadaro uko.
Ndakabva ndasundirwa mumota foni ichisara pasi. Vakapinda vose vachibva vatotanga kundisunga
mumota imomo. Umwe wacho akabva atanga kufona,

Him..... Tamubata.

Ndakanzwa voice rabamukuru richinyatsotaura zvainzwikwa, asi foni yaisave paloud,

Bamukuru..... Good ndiye anenyaya yese iyeye akafa ndinengendave free. Endai naye kugomo mono
muuraya momuisa mubako.
Him..... Sharp boss.

Umwe wacho akabva atora mucheka waakaisa powder kwakundivhara kumeso. Munguva diki diki
ndaive ndave kunzwa dzungu ndakazongoona rima......

End of Chapter (2020)

34

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Lisa (Mai Chris)

Ndoona sekuti zvirinani kuti mwana aone mai vake vachifa pane kuti iwe mubereki uone mwana wako
achifa. Mudumbu umu une zvaunonzwa zvinokuvhiringa njere zvekuti unotadza kana kufunga. Ndikati
ndainzwa kurwadziwa pandakaona video yaCynthia achiputirwa mublack plastic nekukandwa
mudam, ndinenge ndanyepa asi kuti ndainzwa kuti ndatofa. Ndainzwa kutsva muviri wese, ndainzwa
kudedera mudumbu muchirwadza. Ndaitadza kana kufema zvakanaka. Ndakabva ndarangarira musi
wandakarepwa naNyasha unova musi wakabata nhumbu yaCynthia. Yes akandirepa but ndaiona
sekuti zvaitove nani pane zvaaive aita. Haana kugumira ipapo akadzokorora futi musi waakanditora
ndauya kuno kuHarare. Ndakarwadziwa semunhu anga ave ne22 yrs asina kumbosangana
nemurume asi pain yacho haina kusvika pane paina yandakanzwa ndichiona mwana wangu
achikandwa mudam. Ndakanzwa kuda kuvenga Nyasha but ndaitadza. Ndaingogumira paku
mutsamwira chete uye zvaindinetsa kuti why ndichitadza kuvenga munhu akaita saNyasha.
Yakarira pfuti ndichibva ndaona kuti Chris aive adonha ave kutobuda ropa. Moyo wangu wakaenda
kure ndakabva ndatsinzinya ndichiona Nyasha atendekera pfuti kwandiri ndakanzwa yarira ndichibva
ndafunga kuti ndakufa ndakasvinura ndichida kuudza Nyasha mashoko ekupedzesera. Ndakabva
ndaona chishamiso. Ndakaona vana Nyasha vave vaviri ndichiri mukushamirika, ndipo pandakaona
kuti umwe aive wechidiki. Nyasha mukuru aive akatarisa mudiki zveconfusion chaizvo zvekuti wega
unotoona kuti munhu ari kushaya chiri kutora nzvimbo. Chakandishamisa Nyasha akabva apfava
even vakomana vaida kurwisa Nyasha mudiki vakabva vamiswa. Nyasha mudiki akabva auya
akasimudza Chris kwakubuda nesu, munoziva I was confused kushaya kuti chii chaitora nzvimbo
ndakazofunga kuti zvimwe mwana waNyasha waakaita ndichangobva. Ndakashamisika achinditi aive
Daniel hanzvanzi yaAngel, ndakatombo zviramba.

Takasiya Chris kuchipatara tichibva taenda pane imwe imba, ndipo pandakazoona Angel. Daniel aive
akafanana naNyasha zvese hazvo kunze kweutsinye kubva kumatauriro mapfekero zvinofarirwa.
Ndakatanga kunzwa kufarira Daniel plus ndaiva nekamwe kakumuda kari different nemadiro andaiita
Angel.

Kubva musi uyu Nyasha akachinja character kutoitawo munhu musvinu chaiye apa chero kupfeka
aive ave kupfeka zvinhu zvinoratidzakuti aive munhu mukuru.

Moziva ukagara nemunhu for 5 yrs unenge wave kutoziva character yake chaiyo though
achimbozama kuivanza. Nyasha aive aenda pacharacter yake chaiyo, yes kutsamwa Nyasha aitsamwa
but not zvekuzoika sebenzi. Kumufarira kwaiita kuchiwedzera zuva nezuva.
Cynthia ndaimusuwa yes but I knew she was okay. Ndine rimwe zuva randaichema ndiri mumba
mandairara, akauya Chris akasviko gara padivi neni kwakuti,

Chris..... Mama musacheme Cynthia mukamuchema anofa.

Me..... Urikuti haana kufa.

He nodded ndichibva ndaswedera pedyo naye,

Me.... Are you sure?

Chris.... Yes mama inguva chete asi anouya chamungangoita kunamata chete kuti akasire kupora.

Me.... Aripi?

Chris..... I don't know but she is fine mama.


Ndakabva ndatopukuta misodzi, Chris ndaimu believer kubva achikura ndizvo zvaaingoita zvekuti
waigona kufunga kuti zvimwe muporofita handizivewo zvaiitika muupenyu hwake. Aitaura zvinhu
zvinoitika always saka ndaive ndisisina stress asi ndaimubvunza everytime kuti mupenyu here
achingoti mama she is okay.

Zuva rakatiza Angel ndakaita mudumbu ndaimuda zvisingaite. Akazouya Daniel ari muchick akasvika
akanetsana nababa vake ini zvangu handina kumushora nekuti he went through a lot baba vake
vasipo. Takanosiiwa kumba ndikaita usiku hwese ndichinamata. Ndichikumbirira Angel kuti asafunge
mweya wakashata. Mangwana acho Kuma 8 ndakanzwa ndosheedzwa naAunty kuti mukudiwa
kugate. Ndakangopfeka tuma pata pata kwakubuda. Ndakawana ari Nyasha,

Me..... Ukudei?

Nyasha..... Ana Lisa kuita sekuti hamudi kutaimirwa ipapa.

Ndakamboda kuseka Ini kutaimirwa manje, asi ndakaona kuti ndikaseka aizondijairira.

Me..... Kusvika wauya nemwana wangu handitaure newe.

Nyasha.... Sorry Lisa,


Me.... Bye

Nyasha.... Lisa wait Angel anoda kutaura newe.

Me.... Watanga futi zvekukidnaper vana wakamutorerei?.

Nyasha.... Akomana ndakasiya zvakaipa ini, believe me. Daniel ndiye auya kumba makuseni
achindiudza zvekushaikwa kwake ndikatuma vanhu kuti vamutsvage ariko kumba uko.

Me.... Wamusiirei inhema haako.

Akabva abudisa foni kwakundiratidza pic achitori nehembe dzaaive akapfeka akarara zvake,

Me.... Hiii, ko wadii kuuya naye?.

Nyasha.... Handina, waona kuti akarara handiti.


Me..... Okay rega ndinoudza Chris.

Nyasha..... Unowana ndaenda nekuti ndiri kumhanya mhanya. Hande ungonovatora vari kunzwa
musoro vese.

Ndakatongo zopinda mumota ndisina wandaoneka. Takasvika paimba yaive yakanaka zvekurevesa.

Nyasha.... Ndopamba penyu patsva panapa Mai Meraa iya ndakatengesa.

Me..... Handisi Mai Meraa Ini handidi murume mhondi.

Nyasha..... Lisa inga wani ndakaregera.

Me ..... Kubva riini?

Nyasha.... Kubva zvandakapedzesera kurara newe, I realized kuti ndokuda zvese nevana vako.
Me... Handina kuvinga izvozvo ini ndoda kuona Angel naDaniel.

Akandibata ruoko tichibva taenda kunoona Angel. Tabva kunoona Angel takazonoona Daniel iye
Nyasha achingotaura zvinyaya zvake zvekupenga hanzi ndichiri kukuda. Daniel haana kutora nguva
akabva amuka akageza akabuda. Achingobuda, Nyasha akabva andikakata kwakunditarisa mumaziso
chaimo,

Me.... Usadero mhani.

Nyasha..... Why not babe.

Me... Ndoda kuenda mhani ndisiye.

Nyasha..... Relax babe toenda.

Akabva atanga kundikisa. Ndakashamisika, that was my first kiss from Nyasha kubva tichigara tese,
ndakatoshaya kuti ndiye here kana kuti ndeumwe munhu. I relaxed ndichida kuona kuti aizodii
Nyasha truly speaking, ndandato vhiringika. Ndakatanga kunzwa zvinhu zvandisina kumbonzwa
kubva tichigara tese. Nemabatiro aaindiita ndakangoti nechemumoyo who ever akamudzidzisa ndaida
kuzomuona. Ndakazongo karuka ndave kutoresponda wena. Nyasha akandiisa pabed achibva auya
pamusoro pangu. We kissed for a long time achibva atanga kubata hembe dzangu kuti adzibvise.
Ndipo pandakazo pepuka ndikamupusha ndichibva ndanozvivharira mutoilet. Akauya akanoka
ndisinga vhure. Ndaive ndave kuchema nechandaichema ndaisachiziva. Akazoti aiva ave
kugwejenura door ndipo pandakavhura. Akangomhanyira kundimbundira achibva ati,

Nyasha.... Sorry babe I won't force you handiti infact, I was going to ask you kana urikuda. Chero
tikagara tese 1 year handiku manikidze ndichamirira kana wave kuda.

Ndakabva ndamutarisa ndichitadza kubeliever kuti ndiye Nyasha wandaiziva here. I nodded achibva
ati,

Nyasha..... Chindipawo bye kiss tiende.

Ndakabva ndatsikitsira ndaiida asi kubvuma ndainyara. Akasimudza chirebvu changu achibva atanga
kundikisa. I enjoyed zvekuti ndakapedzisira ndamubatawo, akazondiregedza achibva ati,

Nyasha....l love you Lisa.

Ndakashaya zvekupindura achibva anditarisa akatanga kuseka ndakabva ndamurova padama


ndikatanga kutiza achibva atangawo kundimhanyisa. It was funny kani akazondibata achibva ati aida
kiss se sorry. Ndakapiwa kiss tichibva tazobuda tave kuenda kusitting.
Kuuya kwakaita vana Lee kwakaita kuti ndinzwe kufara nekuti Nyasha akazotaura chokwadi chake
chese. Ndakarwadziwa achirohwa veduwe vanhu vaifanira kungomuregererawo sezvo aiva ave
munhu kwaye.

Mashoko akataurwa naLee akandirwadza zvekuti ndakazviudza kuti ndaisazofa ndakagara muimba
yandaive ndapiwa namama ndaizozvimiririra.

Mutown takatakurwa naJoel akanotitengera chikafu achibva azoenda nesu kusurgery kwake tave
kunomirira Daniel aive aenda kunoona mai vake.

Takagara dzinenge 3 hours pasina kana sign yaDaniel. Ndaive ndava kutofunga kumba kuti
ndimbonorara ndichidzeya kiss. Taive takagara panze tiri 3 ndakazongoona Joel auya achimhanya,

Joel.... Ndafonerwa navaMeraa vachibvunza kuti muripi, hanzi Daniel akidnepiwa.

Ndakaita kugara pasi chaiko misodzi yave kubuda. Angel akabva atanga kuchema zvainzwisa tsitsi.
Daniel ndaimuda kani chaindinetsa ndechekuti kana Nyasha ave munhu kwaye saka aive atora
Daniel ndiani. Ipapo foni yaJoel yakabva yarira achibva andipa.

Me ..... Nyasha aripi Daniel?


Nyasha.... I don't know for now but don't worry tomuwana. Musabva ipapo kana zvichiita chitopindai
mukati, you are no longer safe there ndiri kuuya izvezvi.

Me.... Asi pane munhu anoda kutiuraya.

Nyasha..... Lisa am here for you chimboterera daddy uite zvandataura hanty, I will be back soon.

Ndakangoudza vanhu kuti hanzi tipinde mukati. Joel akabva angoti gate rivharwe pasawana
anopinda kusvika Nyasha asvika. Takanogara pasi ndave kunzwa kutya kani.

Pasina nguva akasvika Nyasha akati tiuye kumota, takaenda tose naJoel.

Joel.... Mudhara ini ndine basa ka, manje ndodii ndombovharawo here?.

Akavhura mumota make kwakutora ring achibva apfekedza Joel,


Nyasha.... Usaibvise ndinenge ndichikuona, ita basa rako.

Tese taive tagara kumashure Nyasha akabva acheuka kwakuti,

Nyasha..... Lisa huya ugare apa.

Me..... Why?

Nyasha..... Chimboitaiwozve zvandakumbira tozotaura.

Ndakaburuka kwakunogara mberi kwaaive. Akabva amutsa mota Angel achingochema,

Nyasha..... Angie
Angie..... Mmm

Nyasha..... As long as am here nothing will happen to him hanty.

She nodded foni yaNyasha ichibva yatanga kurira akadaira achibva aisa panzeve,

Nyasha.... Wawanei?

Handina kunzwa zvaitaurwa nemunhu waaitaura naye. Ndakangonzwa kuti,

Nyasha..... Shit... Shit

Akaita zvehasha zviya achirova rova mota. Akabva atanga kumuuda zita aripa foni kudero
ndakazonzwa ave kuti,

Nyasha..... No as long as am alive, I won't let them kill my son never.


Akabva akanda foni pasi kwakutanga kumhanyisa mota zvekuti dzimwe mota dzaive dzichingoridza
huta. Mota yaimhanya zvekuti ndaive ndakabatira ura mumaoko ndichitya kukuturwa apa Nyasha
wacho aichema misodzi chaiyo, that was my first time kuona Nyash achibuda misodzi.

Me..... Hanzi chii Nyasha?.

Haana kupindura asi akatowedzera kuchema nekuwedzera speed yemota. Foni yake yakabva yarira,

Nyasha..... Rasta Mbizo atora mwana wangu achibetserana nabamukuru vaDany

........................

Nyasha..... No, I mean mukomana, musikana handisati ndamuwana. Ndokumbirawo help yako 22 yrs
ndisina mhuri yanyu. Rasta, I want my family back now do something.

Ndakangonzwa kakufara ndichinzwa Nyasha achiti anoda family yake back. Achingotsveta foni pasi
makabva mapinda sms kuapp hameno chakangoita ndivhure. Raive picture ndichingoriona ndaka
screamer, Nyasha achibva atora foni kwakutarisa. Akaita kutsika mabrakes zvehasha zviya. Ini
ndaive ndochema nezvandaive ndaona.
Raive picture raDaniel akazara ropa akarara pasi apa asina kana hembe hameno kuti aive apfurwa
here kana kuti abaiwa nebanga....

End of Chapter (2020)

36

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Ndichiona murume uya achifamba achiuya kumota hana yangu yaiwedzera kurova. Murume uya
asati ambovhura door akabva abatwa muromo naNyasha wandisina kuona kuti akabva nepi. Akabva
amumonya zvekare achibva angoti rukutu munhu uya. Akabva avhura boot kwakumukanda ikoko.
Akabva atanga kufamba achienda kudoor raibva mugarage richipinda mumba. Paaive ave kusvika
door rakabva ravhurwa vakatizira paside peimwe mota. Murume uya aive adzoka zvekare aive
wechidiki mazera ana Angel chaiwo aitove mukomana, achingoti 2 steps kubuda mugarage, Nyasha
akabva amujambira kwakumuita zvaaiita vamwe. Akabva amutakura akazomukanda muboot. Akasiya
avhara achibva aenda zvekare.

Haana kutora nguva refu aive adzoka nekamwe kamwana akakavhara muromo. Kamwana kacho
kaive kamusikana kangangoita kuzvi 10yrs uko. Akasvika akabata satchel ameno zvaakatora
akasprayer mwana uya achibva angoti rezu akabva akandwa mumota achibva adzokera zvekare.
This time akanogara for more than 15 minutes ndaive ndave kutotya kuti zvimwe aurayiwa
ndakazosununguka ndaona ouya akatakura zigadzi zihombe hombe uku akabata chibag. Akasvika
akarikanda mumota achibva ati,

Nyasha......Chris ndoda kuti udrive , zvaunoita ndichakupa madirections ekue da kugate handiti kana
wasvika unomira pagate padhuze dhuze wotorova serious. Kana ukaona asina kuvhura gate
ndichapfura gate nepfuti iwe wopinda uchimhanya. Kugate kwacho unotoenda uchimhanya. Ooh
pfeka hembe idzi we have 5 minutes kuti tibude muno tisina problem.

Chris akaburuka akatanga kupfeka, Nyasha akabva asimudza mukomana uya wechidiki
kwakumugarisa mberi. Achibva amuzemberesa kwakumu pfekedza cap achibva aisa book pamaoko
ake akaita serinovhara kumeso zvishoma.

Chris akabva apinda akagara achibva amutsa mota, ini naAngel taive tichakavharwa muromo zvekuti
hapana chataikwanisa kutaura. Mota ichingobuda garage, Chris akabva anzi awedzere speed
nespeed yaaive nayo gate rakavhurwa achitori kure tichibva tapinda. Hatina kufamba nguva refu
Chris akabva amisa mota, Nyasha achibva agara paseat kwakuipisa akananga nemusango maive
musina kana nzira. Akazongomira achibva aburuka kwakuti ndodzoka.

Takasara tichingotarisana apa hana yaive ichiri kungorova. Ndakazonzwa mota yaiuya kwataive
ndikaita mudumbu nekutya. Ndakashamisika ndichiona iri yaJoel apa aito driver Nyasha aripa divi.
Vachingomira Nyasha akabva ati,

Nyasha..... Boys vanhu ava ngavapinde muboot handiti mai Chris uchiri kugona kudriver?.
Ndakadzungudza musoro, vachibva vatibvisa zvaive pamuromo ndakaita kunonzi kufema.

Nyasha.... Ko Angel unogona here?.

Angel..... Yes

Nyasha.....good Angel achi driver Mai Chris vakagara paside boys kumashure ini kuboot nevanhu
ava.

Vanhu vakatanga kutakurwa vachiiswa mumota yaJoel, munguva diki vese vaive vava mumota.
Takapinda tikagara semaudzirwo ataive taitwa naNyasha. Iye aive kumashure asi aiona zvese
zvaiitika.

Joel ndiye akatanga kudriver musango kusvika tabata tara ndipo pakazopiwa Angel mota. Mota
yakafamba nekatara kadiki diki kwe30 minutes ichibva yapinda mumain road ndakabva ndatoona
kuti taiva tave muroad inoenda kwaMurombedzi ichibva Harare. Takatora Harare road, moyo wangu
waive wagadzikana zvishoma ndaive ndave kunzwa zviri nani ndakatarisa nguva ndikaona dzave
kuma4 dzezuva rovira.
Mota yaifambira mu60 tichienda zvedu uyu Nyasha aingove tsiki tsiki pafoni yake.

Kuma5 takabva tasvika paOK marimba ndakafara kuti ndaive ndadzoka muHarare zvekare. Angel
akanzi aende kuHatfield, akadriver tikaenda kuHatfield tikasvika paimba iya yataida kuurairwa.
Vanhu vese vakabva vaburutswa vakaiswa mumba. Pasina nguva akauya umwe murume nechikafu
achibva atipa tikadya. Patakapedza kudya takabva taenda kuroom yaive yaiswa vanhu vaya. Vaive
vaita kusungwa muviri wese apa vaive vamuka vese vachichema. Moyo wangu wakabva warwadza.

Me.... Nyasha vasunungure.

Nyasha..... Baba vavo vakauya naDaniel ndobva ndavasunungura.

Aitaura achitora mapics.


Achingopedza foni yake yakabva yatanga kurira, akadaira achibva aiisa paloud.

Voice.... Meraa vanhu vako vatora mwana wako kunoku saka siya mhuri yangu.

Nyasha..... What?
Akaita achikata foni akabva atanga kubaya baya foni yake imwe yaive muhomwe. Pasina nguva
ndakaona ave kujamba jamba akabva asvika achindisimudza kwakutenderera neni. Foni dzake
dzakabva dzatanga kurira, akatarisa achibva adaira imwe yacho,

Voice.... Boss tamutora mwana todii naye.

Nyasha..... Good endai naye kumadhara ndosvikako izvezvi, akuvara zvakanyanyisa here?

Voice..... No boss havana zvavambomuita angodirwa ropa chete vanga vakamunwisa sleeping tablet.

Nyasha..... Good ndosvikako soon. Kana mamusiya muuye kuno ndoda kuti muzotora vanhu varikuno
vamboenda kuDomboshava for some days ndiwe uchange uchigara navo ikoko uri boss, no abuse
maboss mumabate mushe.

Foni yakabva yakata,

Me..... Chivadzoseraika chikara handiti mwana tamuwana.


Nyasha..... Pane zvandoda zvakawanda so ndichavadzosera kana zvaita.

Takango tarisana naAngel tichibva taenda kumota kwaiendewa naNyasha tikawana pane imwe mota,

Nyasha..... Joel you can go waita basa mwanangu your reward is coming.

Joel.... Manje havanditeere.

Nyasha.... No, you are safe.

Akapinda mumota achibva aenda isu tichibva tapindawo mune yaive yauya tave kuenda kuMandara.

Munguva diki taive tasvika. Tese takananga kwaive naDaniel. Nyasha akasvika nekutanga kukisa kisa
Daniel. Angel akabva arara paruoko kwaDaniel achibva atanga kuchema. Ndaive ndava
kumunyararidza. Nyasha akabva agara pabed achibva akakata Chris ruoko achibva amugarisa
pamakumbo.
Nyasha..... I wasn't a good father to you but I promise I will give you everything you deserve from a
good father . I love you my son.

Chris..... Thank you daddy but daddy can I ask something.

Nyasha.... Anything

Chris..... Tine imwe surname isiri Meraa here?.

Nyasha.... Why wabvunza.

Chris..... I have a feeling inondiudza kuti Meraa haisiriyo surname yedu.

Nyasha..... yes but I will tell you after 2 weeks or less.

Chris.... Okay
Ndaona kuti Nyasha aive akatarisa Chris mumaziso chaimo. Apedza kutaura naChris akabva ati
munhu wese aende anogeza then tozonodya. Ini ndakabva ndaenda kuroom kwandaive ndapiwa.
Ndichingopinda, ndakanzwa munhu aitaura zvakandirovesa nehana.

Voice...... Meraa naChris vanofanira kufa today wanzwa. Unoisa matablets aya mujuice ravo. Vakafa
ivavo nyaya yedu yapera....

Ndaive ndotadza kufema nekufunga zvaitaurwa nevarume vaviri ava, ko Chris vaida kumuurairei
nhai.....

End of Chapter (2020)

35

*Continuation of the house uncomfortable feeling..*

Ndakanyatso ona kuti Nyasha ave nehasha, yes hasha aiita asi dzakadai idzi yaive first time yangu
kudziona. Paakamboda kuti ndiuraye Chris aive asina kumbotsamwa zvekudai, aitoenda kudoro
kwake omwa zvekuraradza odzoka achibvunza zvemwana asi aitoonekwa kuti ane stress.
Paakamisa mota akabva atanga kureverser achibva adzokera munzira yekutown, aisataurika naye
Chris aive akazara nehasha. Tese taive tangonyarara mota ichifamba zvekuita seichabheuka.
Akapinda mutown achibva atora nzira yaienda kuNorton. Mota yaifamba zvekuti tese taive takango
nyarara kuti zii kuri kutya chaiko ndakambotarisa speed ndikaona ichifambira mu160. Dzimwe mota
dzataisangana nadzo vaitoita kudziura munzira fortunately, yaive 2 way traffic.

Takaita nguva diki diki taive tava muNorton akabva atora nzira yekuenda kwaMurombedzi akafamba
ndofunga pangangoita 4kms achibva apinda mukaroad kaiita sekuti hakafambe vanhu. Karoad kacho
kaive kadiki diki apa muri musango chaimo apa karoad kacho kaingokona kona kaitoratidza kuti
hakafambiwe fambiwe. Tati fambei dzingangoita 15 minutes, akabva asiya karoad kaya kwakutanga
kufamba musango musina kana road apa achitoita zvekunzvenga miti,

Me..... Nyasha tiri kuendepi?.

Ndakaita sendaitaura ndega haana kana kupindura. Takasvika paive nekagoronga ikapinzwa mota
iya ichibva yanomira yave ipapo, yaive yava kuramba kubuda.

Nyasha akangoburuka achibva aenda kumasure kwakubva atanga kukurura hembe dzake ndakashaya
zvaiitwa ikoko. Ndakaburuka ndikawana achipfeka kamwe kanga kakaita kahovhorosi achibva azoisa
hembe dzake pamusoro. Apedza, akabva avhura rimwe box so achibva atanga kubata bata kwakubva
abudisa pfuti, ndakarohwa nehana ndikatanga kuhuta akabva auya pandaive kwakusvika
achindimbundira zvakasimba achibva andikisa paforehead,

Nyasha..... I will never do something to hurt you babe, I love you. Situation yakundituma kubata pfuti
wakatarisa that's why ndangandichida kunokusiya kumba but trust me zvinopera soon zvese izvi.

Handina chandaka pindura akabva apukuta misodzi yangu yaive yakubuda zvikanzi,

Nyasha.... You have to be strong for vana handiti.

Ndisati ndapindura takanzwa gun shot achibva abata mafoni ake kwakuisa muhomwe yemukati
achibva atora bag raive mumota kwakutanga kubudisa zvinhu achiisa mubag. Apedza akabereka
satchel riya zvese izvi zvakaitwa I think ne1 minute chaiyo achibva ati,

Nyasha..... Handei Angel naChris, handei vanangu you have to be strong handiti.

Vakaburuka mumota tichibva tavhara madoor kwakutanga kufamba pasina nguva ndakanzwa,
Voice.... Boys huyai kuno ndiko kune mavhiri emota.

Nyasha akabva atoti timhanye tichibva tanopinda mune kamwe kagoronga kaive padhuze achibva
aburutsa bag kwakutora imwe sellotape achibva ati,

Nyasha.... Ndavakukuvharai muromo in case kuti musazo screamer trust me we will be fine.

Akabva avhara Angel neni, Chris achibva ati,

Chris..... Trust me, I won't do anything.

Vakangomutarisa vachibva vasiyana naye. Varume vaya vakasvika pamota vachibva vatanga
kufamba famba taive pedyo zvekuti taikwanisa kuona zvinhu zvaiitika. Ini hana yangu yairova
zvekuti kana vaive pedyo neni vaizvinzwa.

Voice..... Abuda aenda, ngatipisei mota.

Ndakaona munguva diki diki yave kunganduma, Nyasha aiita seaiziva kuti akasativhara muromo
taizoscreamer.
Ndakangozoona Chris achijambira kumashure, ndakacheuka kwakuona achikikirisana nemurume
airwa nekunyatsobata pfuti yake kuti apfure akabva amuwisira pasi. Nyasha akaendawo ipapo
vachibva vabetserana kuisa munhu uya mugoronga. Nyasha akabva abata munhu uya musoro achida
kuumonya. Ndakabva ndatanga kumupa sign yekuti aiwa ndichiita nemaoko akangodzungudza
musoro achibva anama munhu uya muromo.

Nyasha.... Chris buda nevanhu vangu ava munofamba muchienda nepamuti uyo. Ndokubatai musati
masvika ndichambosunga munhu uyu, musaite noise.

Ndakangosimuka hangu asi moyo waisada kuparadzana naNyasha. Tichangoti budei mugomba tisina
kufamba nhambwe dzinozvika mbiri, ndakashamisika kuona Nyasha ave kubuda mugomba muya.
Akasvika aka bata ini naAngel maoko tichibva tatanga kumhanya.

Taingomhanya nesango tichienda kusvika taona paive nefence yaive hombe. Nyasha akabva aburutsa
bag rake kwakuenda paive ne muti waive wakadonhera pawire. Akabva atanga kucheka wire iya
pasina nguva tese takapinda mukati nepawire paya. Paisa tomboratidza kuti pademburwa Nyasha
akasiya apa vhara vhara. Takabva tatanga kufamba tichienda apa tiri musango zvekare. Takafamba
for about 15 minutes ndichibva ndaona Nyasha achitsika tsika pasi kuratidza kuti pane zvaaitsvaga
tese takabva tamira. Akazosvika pamwe paakatanga kufukunura tese takabva taendapo tikatanga
kufukunura paya. Pasina nguva ndakabva ndaona rata raivepo asi raive rakaiswa mazi key mahombe
aya maviri Nyasha akabva abudisa ma bunch emakeys achibva apa imwe Chris vakatanga kuzama
kukiinura. YaChris ndiyo yakatanga kuvhurika, yaNyasha yakanetsa zvekuti tese taive tatove worried.
Angel akazokakata key iya ichibva yavhurika ndipo pandakaona kuti yaive yaita kudhara asi
yaingoda kukakatwa.
Nyasha akavhura rata riya achibva atova mukati. Ndakashamisika ndichiona masteps aidzika pasi.

Nyasha.... Pinda Chris torch iyi usaende mberi. Angel woteera Mai Chris moteerawo ndozopedzisira.

Takatanga kupinda muya tese. Ini ndaitya asi ndaingoti sezvo ndiina Nyasha better. Takapinda
mukati muya Nyasha achibva azoteera akaisa chihuri chaive mukati. Akabva abudisa touch hombe
kwakuvheneka tichibva tatanga kudzira. Takadzira munongonzwa imi zvekuti ndaitoti pamwe
patinodzoka makumbo achazvimba nekukwira mukwidza.

Takazosvika paive pakaenzana Nyasha achibva adzima matorch ese kwakuti,

Nyasha..... Tiri kufamba takabatana tichienda kumberi uko. Ndichakuudzai zvekuita tasvika.

Takafamba murima rekuti chero pawaitsika waisapaona. Vasingazive rima racho munogona kumbo
tsinzinya maziso munoriona. Ndimo mataive imomo.Tese taive takabatana maoko. Takafamba nguva
ingangoita 30mins ndichibva ndazoona tuma lights kumberi ndikatanga kutya. Takafamba
tichiswedera kwaive nemalights kuya tave pedo ndakaona munhu aifamba famba achiita sekuti pane
zvaaitsvaga.
Nyasha, rarai panapa ndouya musaite any movement.

Takabva tikasara naChris. Murume uya taingomuona achibata bata zvinhu zvaiva paaive.
Ndakazongoona abatwa muromo naNyasha achibva amonyororwa ndakatarisa. Akatsvetwa pasi then
akabva aita sign yekuti huyai.

Ndakasvika nekubata munhu uya aive pasi ndichitarisa kuti aive asina kuuraiwa here. Zvevanhu
vanofa ndaisada.

Nyasha..... Mupenyu babe handei.

Me...... Tichimusiya ega?.

Nyasha...... Hatina nguva babe handei tione.

Takabva tatanga kufamba tichibva tapinda mulift yaive ipapo. Ndakafara kuti at least taisakwira
masteps. Yakanomira tichibva taburukira mune kamwe kaimba. Takanzwa vanhu vaitaura tichibva
tavhurirwa kuroof naNyasha pataive paitove nemasteps. Takapinda muroof muya achibva asiya
avhara. Takabva tatanga kufamba tichibva tanopinda munekamwe karoom, muroof imomo.
Mukaimba ikako maive nedoor ratakavhurirwa tikapinda tichibva tabudira muimba maitove
nemawindow epanze. Nyasha akabva avhura door tichibva tapinda mupassage kwakutanga
kufambisa tichibva tanopinda pane rimwe door tikatanga futi kudzira masteps.

Takabva tasvika mugarage achibva avhura door reimwe mota tikanzi tipinde tese.

Nyasha.... Ndouya soon

Akabva avhara door riya achibva aenda hana yangu yakabva yatanga kurova,

Pasina nguva makapinda umwe murume achibva ati kumunhu waaive naye,

Him..... Ndibuditsirewo discovery iyo mugarage ndoda mumbobuda, unozadza fuel.

Mota yairehwa ndimo mataive hana yangu yakarova ndikaita sendichazviwetera weti,......
End of Chapter (2020)

37

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Ndakatadza kutenda zvandaive ndanzwa. Chaaida kuurairwa Nyasha ndakachishaya. Ndakapinda


mubath ndichibva ndavhurira mvura kwaku zvinyorovedza. Simba rekugeza chairo ndakanga
ndisisina ndainzwa kubayiwa pakati pemoyo chaipo.

Ndakapfeka ndichibva ndabuda kwakuenda kwataifanira kuzodyira. Ndini ndakatanga kusvika


ndakasvika paive pachangotanga kusetwa. Ndagara pasina 2 mins, ndakanzwa munhu aideedzera
kuti daddy achipinda padoor ndakacheuka kwakutarisa ndikaona padoor pachipinda mukomana
wandaive ndamboona achitaura nemunhu aisaver chikafu kuti Nyasha naChris vaurawe. Ndakabva
ndashaya kuti aive ani. Vashandi vepamba paNyasha vakatanga kumutambira vachifara. Nyasha
akabva abudawo achibva ambundirana naye vakaramba vakambundirana for a long time.

Vana Chris vakabva vauya. Nyasha akauya nemukomana uya vachibva vasvika vachigara patable,

Nyasha..... Bright avo ndimama avo, Mai Chris uyo mwana uyu.

Bright uya akabva asimuka achimbundikira munhu wese, ini mufaro ndaive ndisisina apedza
akabvunza mufaro achibva agara pasi.
Chikafu chakauya munhu wese akapiwa. Ndaive ndakagara pedo naChris saka ndakatarisa mucup
make ndichibva ndaona tunhu twangatwakaita powder ndisati ndanyatsotarisa mukomana uya
wandaive ndamboona akabva adira juice imomo ndakango mutarisa kumeso achibva anyemwerera.
Ndakasimudza musoro ndichibva ndaona Nyasha achiisa glass kumuromo.

Me..... No Nyasha No!

Akabva anditarisa

Me..... I overheard mwana wako nemukomana uyo vachiti juice rako neraChris riiswe poison.

Bright..... Mom!

Me..... Hamba ka.

Bright..... If you don't love me it's better mundidzinge pane kundipomera mhosva. How many times
dzandakasaver daddy ndozofunga kuvauraya.
Me..... Maybe because waona kuti vave kutora mhuri yavo back.

Bright uya aive asimuka akabva agara pasi achiyeredza misodzi.

Bright..... I love daddy with all my heart, how can I...

Akabva aita kuwedzera kuchema zvekutadza kana kubuditsa voice.

Me..... Crocodile tears imbwa yemunhu.

Nyasha..... Lisa!!

Akaita kudanidzira zvakavhundutsa vanhu vese. Ndakabva ndamutarisa,


Nyasha.... Kana waronga kundiparadzanisa nemwana wangu kanganwa Lisa.

Me ...... Nyasha juice iroro rine poison.

Bright..... Kana rine poison ndimi maiisa mama muchida kutiparadzanisa nekundipa mhosva. Nhai
Muna pandasvika wanga uripi?

Muna(mukomana wekubika)..... Ndangandiri kukitchen. Madam varikuda kungondidzingisa basa.

Me ...... Kana musingagone kugara nevanhu zvinerudo munobvaka.

Nyasha...... Keep quiet you bitch,

Hana yangu yakarova ndikatanga kunzwa kuzarirwa ndicho chinhu chandanga ndakavenga mulife
yangu kunzi bitch, sure bitch,
Nyasha..... Ndakamuita mwana wangu musure mekunge aona bomb raive pamota yangu raifanira
kundiuraya. Hazvina kuperera ipapo akandinunura ndichida kuuraiwa last of last year, Lisa you
better behave yourself or else. Akabva asimuka mwana wevanhu kwakuenda ndakabva ndatora drink
raChris kwakudira mumvura then ndichibva ndafamba ndave kuenda kuroom kwangu.

Ndichingopinda ndakanzwa misodzi kuuya ndichibva ndatanga kuchema. Ndakachema


zvekuhwihwidza chaiko. Ndakabva ndatoona kuti Nyasha will never change zvaive zvataurwa naLee.
Ndakabva ndafunga kubva pamba apa kana aifunga kuti ndinoda mari yake aitozvinyepera ndaive
ndafunga kuzviraramira upenyu hwangu hwakare. Upenyu husina hama, zvehama zvaive zvaramba,
hameno kuti yaive munyama here kana kuti chii? Muupenyu hwangu ndaive ndisina kumboita
zvechipfambi ini ndaive munhu aitya kutadza. Yes akanditora ndisiri mhandara and munhu aive
andibvisa umhandara naiye Nyasha ndivo varume vaviri vandaiziva muupenyu hwangu. 22 year dzese
idzi ndainyengwa nevanhu vasvinu vamwe vandaitoona kuti vaigona kuchinja upenyu hwangu asi
nenyaya yevana vangu ndaisada zvekuroorwa.

Ndakasimuka ndakanovhura door ndichibva ndaona ari Chris aive akamira padoor. Ndakazviwisira
mumaoko ake ndikatanga kuchema.

Me..... Chris would you believe kuti ndoda kudzinga mwana waNyasha pano?.

Chris..... No mama kubva kuseni ndangandingori nefeeling yekuti something bad is going to happen. I
trust you mama.
Me..... Wakambondiona ndine murume here mwanangu?

Chris..... No mama

Me..... Saka why vanhu vachingonditi hure. Leeroy akabva kunditi hure nhasi ndiNyasha.

Chris..... I trust you mama.

Me ..... Ndave kuda kuenda kuMasvingo ini kana uchida kusara unosara hako kuitira hanzvadzi yako
kana adzoka muuye vanangu ndinoshanda kusvika chikoro chapera handiti. Handisi simbe ini
ndogona futi kutotora mapaper angu echikoro ndikaisa ma application ndowana basa muende
kuchikoro. Ndakakurerai kubva une 5 yrs Chris kusvika waita zvawaita izve nesimba rangu ini.

Chris..... Mama please chiregai kuchema oyi mari iyi ndakaipiwa naDaniel moenda kumusha ini
ndosara ndichiita zvaCynthia kana tangomuwana tobva tatouya mama.

Me..... I love you mwanangu.


Chris.... Love you too Mama, chiendai munopinda mumachira ndokuperekedzai kutown mangwana
ini ndichanogara kwaJoel pano kana handichade,

Angel..... Neniwo ndoda kuenda nemi kuMasvingo kuno unongogara uchichema.

Akataura achisvika pataive.

Me..... It's okay my child.

Ndakabva ndapinda mumachira Angel akabva auyawo akapinda achiti ndoda kurara nemi. Takaita
nyaya kusvika ndave kunzwa hope zvekuti handina kumbowana nguva yekufunga zvaive zvaitika.

Kuchiedza takamuka tikageza tichibva tachinja ndakanyatso pfeka dress randaive ndabva naro
kumusha kwakusiya zvinhu zvaNyasha zvese. Tave kuda kubuda ndipo pakapinda Nyasha
takambundikirana tese tiri 3 ndichibva ndatanga kuchema.
Daniel akarondedzerwa zvese zvaive zvaitika naAngel achibva ati,

Daniel...... Mama just know kuti Nyasha ndizvo zvaari mosiyana naye. Vanhu vaNyasha vari kuda
kutouraya munhu wese ari pedyo naNyasha. Kumasvingo kwamuri kuda kuenda mogona
kusatokusvika mauraiwa, so ndoona sekuti kugara tomirira kuwana Cee zviri nani kana tamuwana
togona kungoenda tese ku DRC nekuti ndakawana basa ikoko, tonogara as a family.

Me..... Daniel, ko kana iyeyu wacho akada kundiurayawo.

Daniel.... Ndichapa Chris basa vese naAngel kuti vamutarise handiti mama.

I nodded achibva ati ave kunotitorera chikafu akabuda akauya nacho achibva adzoka naChris.
Takadya vakanodzosera maplates. Mumba mataive maive neTV saka takabva tagara pabed vakomana
pasofa raivemo tichibva tatanga kuona Action tichiita nyaya tichiseka zvedu.

Ndakazongoona Nyasha apinda akasvika akamira akatitarisa vamwe vese vakamumhoresa kusara
kwangu and mood yangu yaive yatochinja.
Akasvika akagara pabed akatarisawo action yataiona, gare gare Bright apinda,

Bright..... Mamukasei mom?

Me..... Mushe.

Nyasha..... Lisa haugone kudaira mwana zvakanaka here.

Handina kupindura.

Akabva anogara paive naAngel kwakumubata ruoko. Angel akabva aruvhizura, Daniel aive atochinja
face kuratidza kuti aive atsamwa.

Bright..... Ko haudi kumhoreswa here?,


Hapana akadaira, ndakangosimuka kwakubuda panze ndakanogara zvangu. Pasina nguva vakateera
Chris, Angel naDaniel, ini ndaive ndave kutochema.

Daniel..... Mama ndataura nefriend yangu kuti mumboenda kuSA monogara kumba kwake coz it
doesn't make sense kuti mugare muchichema kudai.

Me..... Okay ati toenda nguvai.

Nyasha akabva abudikira,

Nyasha..... Hakuna kwaunoenda Lisa uchagara pano and chitodzidza kumuda mwana iyeye.

Hapana akapindura, ndakabva ndapukuta misodzi kwakutarisa vanhu ndichibva ndafamba ndave
kupinda mumba.

Ndakaswera ndakarara ndikatozobuda masikati ndanzwa Angel achi screamer, ndakamhanya


ndikawana Daniel atovepo akabata Bright collar ndichingosvika akabva apiwa chibhakera, uyuwo
Angel akabva andimhanyira akawira mumaoko angu achibva atanga kuchema.
Daniel..... Wangauchimubatirei mukadzi wako here?.

Bright..... Ko iwewe mukadzi wako?.

Kuzodero Daniel akabva anzwa hasha kwakutanga kurova Bright uya akamurova kusvika ave kubuda
ropa. Nyasha aive asipo ndini ndakatozobata ndikaenda naAngel naDaniel mumba mandairara.

Angel akambundira Daniel achibva atanga kuchema. Pasina nguva ndakanzwa voice raNyasha,

Nyasha..... Chris Chris Chris!!

Takabuda panze tese kwakuwana Chris uya abatwa collar. Ndakazongoona ave kurohwa chibhakera.
Daniel akamhanya achibva anosundira Nyasha kwakadero achibva abata Chris,

Nyasha..... Ndingakupe sadza rangu kuti urove Bright panapa. Why usingagone kuita saDaniel.

Daniel..... Akuudzai izvozvo ndiani, ndini ndarova Bright kana achida rugare neni ngaasaswedere
padhuze naAngel.

Nyasha akabva apusa hameno kuti aive ava kushaya chekutaura here kana kuti,

Me..... I hurt you

Daniel akabva aswedera pedyo neni kwakutanga kundi comforta. Nyasha aive angotarisa.
Ndakanzwa kumuvenga kusvika pekupedzesera. Ndakabata Chris ruoko tave kuenda mumba, Daniel
akasara achitaura naNyasha hameno kuti vaitaurei......

End of Chapter (2020)


39

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Kana munhu une chauri kutsvaga ukachitaura munhu aka vhunduka unova neumwe muono paari.
Zvakafanana nemuCID anenge achitsvaga nyaya zviri easy kubata mhondi kana ichivhunduka
uchiibvunza chinhu. Manje zvaive zvaitwa nambuya zvakarondiratidza kuti vaive nenyaya,

Me..... Aripi Cynthia mbuya.

Mbuya vaya vakabva vavhunduka vakatanga kumhanya vachienda. Yaisave nguva yekuseka asi
mamhanyiro aiita gogo aive aya ekuratidza kutya.

Nyasha..... Mhai mirai ndini baba vaCynthia.

Vakaramba vachimhanya mbuya apa kumhanya kwacho waitongoseka. Mbuya vaya vakapingwa
nemudzi waive wakabudira vachibva vazvambuka. Ndakavanzwira tsitsi vave kuti,

Mbuya..... Musandiuraye vanangu.


Nyasha..... Kwete mhai hatisi mhondi ndini sekuru vaCynthia hazvanzi yamai vake uyu ndi Chris
mukoma wake.

Mbuya..... Aizve ndiwe Chirisi?.

Ndakada kuoma nekuseka asi ndakaona kuti ndikaseka zvaisabuda. Mukutaura kwavo gogo
wainakirwa kani dai zviri izvo zvaive zvakaita mbuya vanguka dai ndichinakirwa zvangu.

Me..... Ndini mbuya.

Mbuya..... Haaa bodo vanonyepa vanhu ava Sindiya wakati hapana anoziva kwaakaiswa hanzi
ndakafonera Dhanyeri hino Dhanyeri wacho angaziva sei kuti Sindiya akaiswa kuno. Haaa nyaya
dzacho dzoto ndivhiringa musoro uyu Sindiya akati Chirisi wakatorwa hino kana Chirisi akafa uyu
Chirisi ndeupi uyu.

Shasha yaitaura nyaya yega ichifunga kuti irikufunga zvisinga nzwikwe nevamwe.Moziva kunonzi
kukura, mbuya ivavo vaive vakura chaiko vaive vakapfeka rudress rwakaiswa zvigamba zvekuti
waisakwanisa kuona kuti raive rerudzii.
Mbuya.... Iwe wati ndiwe Chirisi, ko kuno wakunzwanani Chirisi?.

Me..... Mbuya pandakafonerwa naCynthia ndakaenda muvanhu vemutemo. Ndivo vakazotsvaga


mhondi dzacho, hino vakandifonera vachiti ivo vakabata mhondi dzikavaratidza mudam umu vakauya
vakamutsvaga vakamushaya.

Mbuya.... Heya.

Vakabva vambonyarara.

Mbuya.... Isu taiziva kuti pfuti dzinongo shanda kuhondo chete zvino hondo yakasopera kare kare. Ivo
vanhu vacho vehurumende vakanyatso taura kuti pfuti ngadzidzoke hino ava vakadziwanepi haaaa
nyaya dzevapwere haunga zvihwisisi.

Tese takaramba takanyarara nekuti mbuya vaiita sevaifunga. Vakabva vasimudza musoro zvekare
kwakunditarisa,

Mbuya..... Wati ndiwe Chirisi.

Me.... Hongu mbuya, ko Cynthia aripi?.


Mbuya..... Hameno hakezve.

Vakabva vatarisa pasi vave kuita zvavo zvekufunga aloud.

Mbuya..... Sindiya wakati imi mbuya musaudzevanhu kuti ndiri kuno kusvika ndapora hino ava haaaa
zvinhu zvevana zvinoshupa. Handiti ndizvo zvandakaitwa na Sekai ndakazviudza kuti handichade
kupinda mumaoko evanhu vane mari. Haaa Sindiya wandipa basa chairo hino ndinoziva sei kuti
ndiye Chirisi chaiye.

Ndakabva ndakwenyewa naNyasha akandizevezera,

Nyasha.... Hauna pic rako una Cee here?.

Ndakatanga kutsvaga luckily ndakariwana ratakambotorana mazuva aya vachiri kuGZ. Ndakabva
ndapa Nyasha zvikanzi,

Nyasha..... Mhai ndiye Sindiya naChirisi ava.


Nyasha aive ave kutoteedzera mbuya. Vakatarisa pic riya vachibva vatanga kutaura vega,

Mbuya.... Ungati vakafanana naChirisi naSindiya.

Vakabva vasimudza musoro kwakuti,

Mbuya.... Handei kunoona Sindiya ko iye Nyasha wacho akabatwa nevemutemo here?.

Nyasha...... Atove kuchitokisi mhai.

Vakabva vabatwa ruoko naNyasha vakasimuka. Takatanga kufamba tichienda kumota. Takasvika
ndikavhura door kuti mbuya vapinde vakabva vadongorera kwakudzokera kumashure vachibva
vatanga zvavo zvekufunga aloud,

Mbuya..... Idzodzi motokari idzi ndidzo dzinouraisa vanhu haaa ini zvangu umu bodo umu
handipinde.

Vakabva vanditarisa,
Mbuya..... Idzi motokari hadzisviki kwedu idzi kunofambiwa netsoka.

Nyasha..... aaa handeyi mhai.

Me..... Hakusi kure here?.

Nyasha... Kutoshinga mwanangu. Tichasiya mota apo toenda.

Vakabva vabudisa majackets avo maviri aive mumota rimwe vakandipa vachibva vamutsa mota vave
kunoiisa pazasi pemuti muhombe waive pedyo.Vakadzoka vachibva vati handei. Mbuya vacho
vaifamba zvishoma nezvishoma kuita sekamwana kari kudzidza kufamba.

Foni yangu yaive nemoto mushoma saka ndakabva ndaidzima. Mbuya vaya vaingotaura vega zvavo.
Dzimwe nguva vaitendeuka voti ndiwe Chirisi ukavapindira votanga kufamba vachitaura vega,
ndakazo mbonzwa vati,
Mbuya..... Iye Sekai wakangotora mwana wangu kwakutoenda naye, akandisiya mumaoko embavha
dziya dai pasina nyuchi dziya ndakatofa so hameno kuti uripi iye mwana wangu hino zvandandati
ndawanawo muzukuru, vanogona zvavo vakati tipei Sindiya wedu.

Taifamba zvekunanaira chaiko. Dzimwe nguva vaiita nyaya naNyasha. Kana uchifamba rwendo
unenge uchitarisira kuona misha kumberi kana chimwe chinhu. Isu taingofamba musango mega
mega.

Takafamba dzinenge 2hrs ini ndaive ndaneta manje uku mbuya vachingoenda chete. Nyasha
akazviona kuti ndaive ndaneta ko ndaive ndisina kuzvijairaka. Ndakaona Nyasha ave kundibata ruoko
achibva atanga kundipuruzira,

Nyasha.... Mukuda kuberekewa here nhai baba.

Me.... Ndaneta ini

Mbuya..... haaaa vana vemazuvano imbodza chaidzo, kose ikoku ndakakufamba ndoga ndakadai
naSindiya kumusana, ndakasvika musana usingachadi uyu, Uchirwadza chaiko. Moti waitadza
kurwadza naiyo chembere yakadero. Iwo mushonga uya wakabatsira chose kana ivo varume
vekuhondo vayavaingoti dzvanyirira vachirara nesu zvehondo vakabatsira vaya handiti ndivo
vakatidzidzisa kubvisa mabara mumuviri nekurapa nemishonga yechibhoyi dai ndaisave neruzivo
rwazvo ndaizodii?, handiti dai yakatofa mhandara svinu yakadero mhandara inoterera mwana uya
akarairwa zvake haana usimbe mumabhonzo ake mune mongo umu. Zvino uyu Chirisi hameno kuti
wakatodza ani, kuda ndivo baba vacho vanongoziva zvekuuraya vanhu sehuku.
Vaingotaura vega mbuya apa vakabereka maoko. Pese pavanenge vachitaura vasina kukutarisa
ndandakutoziva kuti vanenge vachifunga vakabva vatendeuka kwakunditarisa.

Mbuya..... Tikangopota pazimuti iro tinenge tatosvika Chirisi muzukuru. Kuno ndiko kwatino tsvaga
tutsotso naSindiya.

Muti wairehwa waive pedyo pedyo asi hapana pairatidza kuva nedzimba. Takafamba tikanopota muti
uya ndipo pandakaona kaimba kematombo kadiki diki kaive kakapfurirwa neimwe yematanda.
Mbuya vakabva vakona vachienda ipapo.

Nyasha..... Chimbomira kuudza Cee kuti ndini Nyasha unongoti ndiri hama yako kana shamwari.

I nodded tichibva tafamba tave kupinda pachivanze. Ndipo pandakaona Cynthia achibuda kuimba
yematanda. Ndikati ndakafara ndinga kunyeperai asi ndakadonhedza misodzi nemufaro.

Me.... Cynthia

Akacheuka achinditarisa achibva adonhedza ndiro yaaive nayo kwakuita kundimhara. Akasvika
achindimbundira ndichibva ndamusimudza ndichitenderera naye. Mbuya vaive vatogara pasi Nyasha
akabva ambundirawo Cynthia tichibva tanogara pasi. Nyasha aive ajenga misodzi achibva ati,
Nyasha..... Mbuya tavanyepera kuti uyu ndiye Chris in ndiri hazvanzi yamai venyu saka toda kuenda
navo Harare vasinga zive.

She nodded, tikanogara pasi Cynthia akaenda kunombundira mbuya vaya,

Cynthia..... Mbuya magonesa mavawanepi vanhu ava.

Mbuya.... Ndandichitoti ndanyeperwa heya ndivo,

Cynthia..... Ehe

Mbuya.... Zvatonaka asi iwe haungamboendi navo unonourawa.

Cee.... Toenda tese mbuya kuti munoona mama va.....

Haana kupedzisa akabva anditarisa misodzi yakazara mumaziso achibva atouya akazopfugama
pandaive, ndakabva ndamubata matama coz aida kuchema.
Me.... Mama is okay vese naChris varibhoo variko kuHarare.

Cee.... Why musina kuuya navo?.

Me..... Tatisina chokwadi chekuti tinokuwana plus distance yatazofamba ihombesa vaizoguma
varwara.

Cee.... Thank you Daniel, thank you, so Angel arisei?.

Me.... Anogara achichemera iwewe.

Cee..... Am back for good now ndoda kusvikira kumapurisa ndisungise Nyasha.

Me..... Don't worry dear, Nyasha is now a good man.


Cee..... Wakamugadzirisa.

Me..... Yes

Cee.... Atove kujere

Me.... Yes

Cee..... Are you hiding something?.

Nyasha.... Cynthia chinyengerera gogo tiende.

Cee Kuna Nyasha.... Are you sure kuti mama vangu varibhoo.

Nyasha akabva abudisa foni yake kwakuplayer audio,


Mai Chris..... I will only forgive you kana ukauyisa mwana wangu arimupenyu.

Nyasha..... I promise Lisa no matter what she will come back and am definite kuti mupenyu.

Vakabva vakata Cynthia akasimuka achinombundira Nyasha achibva azodzokera kuna mbuya.

Cee.... Mbuya toendaka kunoona Mai vangu?.

Mbuya..... Ndiurawe zvangu naNyasha.

Cee..... Hanzi Nyasha akavharirwa kujeri mbuya.

Vakanetsana for a long time gogo vachiramba kuenda vakazobvuma havo asi aive atambura Nyasha
aityiwa kani, vakaenda kunogeza tikasara naNyasha zvikanzi,
Nyasha..... Pane zvese zvandakaita zvakashata uchandiregerera here Daniel?.

Me..... As long as Mai Chris vakuregererai ini handina problem nekuti akanyanya kurwadziwa ndimai
Chris.

Nyasha akabva andimbundira akapukuta misodzi tichibva tatanga kuita nyaya kusvika nguva
dzakadzoka vanaCee. Vakachinja vachibva vavhara madoor,

Nyasha..... Hakuna imwe nzira yemabus iripedo here?.

Mbuya..... Mugwagwa uripo paseri apo paseri pechikomo.

Nyasha.... Saka handei tokwirira ikoko, uku Mai vangasvika makumbo azvimba.

Me.... Ko mota?
Nyasha.... Ndichatuma munhu kana tapinda muHarare kuti anoitora.

Takabva tatanga kufamba,

Nyasha..... Maronda euyu akapora here mbuya kana kuti ndimubereke.

Mbuya..... Unenge wagonesa mwanangu achiri manyoro chaiwo.

Cee akabva aberekwa naNyasha tave kuenda imba yacho yaive pedyo nechikomo saka
takatongotanga nekukwira mugomo. Tave pamusoro ndakabva ndaona nzira padhuze negomo.
Ndakafarisa nekuti ndaitya kuti mbuya yaigona kuti paseri pechikomo iko kuri kure ndaive ndaneta
ini. Kumhiri kwenzira kwaive nemisha yakawanda wanda ndakashaya kuti nei mbuya vaigara kwavo
vega kudai.

Takadzira gomo tichibva tatonomira munzira. Yaive dust road ndipo pandakazoona kuti mbuya
vaive vasina shangu.

Me..... Ko Cee wadii kupa mbuya bhutsu.


Cee..... Havana shangu ava.

Moyo wangu wakarwadza takagara ipapo for about an hour pachibva pazouya tractor.

Mbuya.... Misa mota muzukuru misa.

Ini ndakabva ndatanga kuseka kumisa tractor here. Nyasha ndiye akatosimuka kwakumisa tractor
iya. Tractor yacho ko kutozomira. Nyasha akabva asimudza mbuya kwakuvakwidza vakabva vatanga
kusekerera.Cee akakwidzwa zvekare. Ini ndichibva ndakwirawo, Nyasha kwakumira pamasteps,
tractor ichibva yatanga kufamba.

Driver..... Haa kuno kunonetsa transport ipapa maitozodzokera kumba mozomukira mangwana pane
kakombi kanofamba kuma4.

Vaiita havo nyaya naNyasha tichienda. Mbuya vaive vati zii hamenoo zvaive mupfungwa dzavo.

Takafamba for 1 hour tichibva tapinda mutara yaitoratidza kuti yaive high way.

Driver.... Mogona kusara pano mokwira moenda Harare, neni tingasvika kare.
Akabva apiwa mari naNyasha takaburuka hedu.

Hatina kuzombomira zve2 mins takabva tatokwira kombi. Nyasha akabhadhara, ini ndaive
ndakaneta zvekufa chaizvo saka ndakabva ndakotsira ndikazomutswa naNyasha tave muHarare.

Takaburuka achibva atsvaga taxi tave kuenda kumba. Takasvika kumba mbuya vanyarara kuti ziii
ndaive ndave kutovanzwira tsitsi.Takaburuka mutax tichibva tapinda mumba ndakapinda
ndichideedzera mama kuti Cynthia auya.

Munhu akatanga kusvika ndi Angel akasvika achimbundira Cee achibva atanga kuchema. Vese
vakapedzesera vave kuchema. Mbuya vakanzi vagare pasofa naNyasha. Mai Chris vakapinda
naChris vakamhanyira Cee. Vese vakabva vatanga kuchema. Mai Chris vakazoenda paive naNyasha
vachibva vamumbundira, vanhu vese vakabva vagara pasi,

Nyasha.... Takuita maintroductions, Cynthia ndiwe uchaudza gogo vanhu vese ini ndichazozvi
introducer kana wapedza.

Cee akabva anyemwerera kwakutanga nepandiri nekuti ndini ndaive pedo naGogo.
Cynthia..... Mbuya paya ndanyepa uyu wamakagarisana naye haasiye Chirisi anonzi Dhanyeri Pirai.

Mbuya vakaita kuvhunduka zvekuti tese takashaya kuti chii.

Mbuya..... Pi pi pi mati Pirai?

Vakabva vafenda,

End of Chapter (2020)


38

*Continuation of uncomfortable feeling..*

.. Daniel..

Kubva ndichizvarwa handina kumboda munhu asiri Angel semadiro andaive ndave kuita Mai Chris.
Kuda kwacho kwaive kwakasiyana nemadiro andaiita Angel.Ndainzwa kuti pakati pedu pane kamwe
kabond karipo.
Pandakapepuka ndichiona ndiri pamba paNyasha ndakafara chaizvo. Matsotsi aive anditora
akandiendesa kwaaive nabamukuru, ndinorangarira mashoko akataurwa nabamukuru pandakasvika
vakanyatsoti" wairamba kuita zvandaida manje Angel akuchizoroorwa nemunhu wandoda" ruvengo
rwangu kwavari rwakabva rwawedzera. Pandakapepuka ndakaona Angel akagara padhuze neni
achichema. Ndakamunyararidza akandiudza zvese zvaive zvaitiwa naNyasha kuna mama.
Ndakarwadziwa nekuti madiro andaive ndava kuita Mai Chris ndaisada kunzwa zvisina basa.

Pamazuva aive apfuura ndaive ndichingovhiringwa kuti ndisawane nguva yekunotsvaga Cynthia asi
apa ndaive ndisisade kudzokera kumashure. Ndaida kunotsvaga Mai vangu ndonovasiya kumba
kwaJoel then ndonotsvaga Angel, kana ndamuwana ndaida kuti tese tiri 6 tiende kuDRC kuti Ini,
Angel, Chris naCee nana mai vedu. Ndaive ndafunga kunotanga upenyu hutsva ikoko.

Ndaizviziva kuti nebasa rangu kutenga imba kana chii zvaisanetsa, ipapa imba chero dai ndaida
kutenga ndaigona kutotenga nekuti business rangu harina kumbomira kubva zvandakatangana
nenyaya dzemhuri idzi. Ndaive nemurume ainzi Nyati mubusiness kubva ndichitanga ndiye wandaive
ndapa basa rekuongorora business rangu. Aive munhu anoda basa rake uye aive asingandirasise
nekwandaive ndabva naye. Nyati ndakamuona paroad ndichibva kune imwe mine kuKwekwe aine
mabag hobho aine mukadzi wake nekamwana karusvava. Ndakamisa mota ndichivapa transport.
Takaisa zvinhu zvemurume wacho mumota. Pandakamutsa mota ndakabva ndaona kuti mukadzi
wacho aichema. Ndakambosiya zvakadero ndichiti pamwe achanyarara zvake. Murume aive
akangotsikitsira, ndakazopedzisira ndabvunza chainetsa ndikaudzwa kuti Nyati aive adzingwa kumba
nevabereki vake vachiti mukadzi waanaye havamudi uye vaive vatotsvagira Nyati mukadzi.
Ndakavabvunza kwavaienda vakati vaingofambawo kuti vaende kunotsvaga mapeace job ne pekugara
muHarare. Ndakavanzwira tsitsi nekamwana kairatidza kuti kaive kachango donha guvhu. Mazuva
iwayo ndaive ndichangotenga imba yekuMarondera uye ndaishandisa 1 room pamba ipapo mandaive
ndangoisa bed chete mari dzaive dzisati dzavepo dzakanyanya saka maive musina kana jira zvaro.
Ndakataura navo kuti vagare pamba pangu kuMarondera. Ndakavaendesa ndikasiya ndavatengera
mapoto nechikafu chaigona kutopedza mwedzi. Ndakabva ndapa murume mari yaingove 100 us.
Munoziva ndakaita 2 month ndisingaende kuMarondera pandakazoenda ndakawana Nyati ave
nemusika wehembe muhombe mukadzi ane wake wemadomasi. Apa mumba maive matove nebed
newardrope.
Ndakanyatsofara, munoziva kubatsira munhu anogona kushandisa mukana kunofadza, dai ari umwe
aigona kutozofona achiti chikafu chapera. Pandakatoenda kumba ndakawana varima muriwo yard
yese vachitotengesa umwe. Ndipo pandakaona kuti murume uyu aive nechinangwa nelife yake kwaive
kungoshaya pekutangira nekuti mukadzi aivewo nherera apa vamwene navatezvara vachimuramba.
Ndakataura naNyati kuti ndaida kuvhura hardware muMarondera akatoti aida kuzondishandira,
mukadzi wake ndiye akazenge ave kuita zvemusika iye achienda kuhardware apa mari yake yese aiti
ndimubatire ndakazomupa papera 6 months akanotenga musha wake. Zvakaitika zvakawanda
ndingatoita 2 days ndichirondedzera asi regai ndingoti Nyati iye zvino ave kugara kuMabvuku
kwaakatenga imba yake achienda zvake kubasa and kwese anoona mari dzese nezvinhu zvese zvangu
anozvibata sezvake. Ndikakuudzai kuti nhasi uno anemota yake mukadzi ane yakewo munoti
ndinonyepa asi Mwari akavaitira nyasha. Kubusiness kwangu ndaive ndisina kana stress ndainyatso
ziva kuti zviri kufamba.

Pandakanzwa Angel achi screamer ndakati zvimwe adonha or something ndakanzwa hasha
ndichiwana akabatwa naBright. Dai pasina Mai Chris vemoyo chena ainomukira kuchipatara.

Ndakazonyanya kunzwa hasha ndaona Nyasha achida kurova Chris. Ndakasara ndakamira
naNyasha mama vachidzokera mumba mavairara,

Me..... Nyasha kana uchida kuona zino rangu behave, Mai Chris varikuda kusaver life yako
wakambozama here kutarisa poison kuti yaivemo zvechokwadi here. You support mwana weku
adopter uchisiya mukadzi waunoti unoda shame on you.

Ndakabva ndabva kwakunoudza Mai Chris kuti ndakumbonoona mai vangu. Ndave kubuda ndipo
pakapinda Nyasha,
Nyasha.... Lisa am sorry.

Vakaramba vakanyarara Mai Chris. Isu takabva takubuda tichida kuvapa space.

Nyasha..... Daniel tora laptop yangu undipe ndawana proof inoratidza kuti your mother is innocent.

Moziva ndakatombo kanganwa kuti ndaive ndakatsamwira Nyasha ndikano mumbundira. Ndakatora
laptop ndichibva ndaratidzwa video yamama vachimbundirana nemurume uya pahotel
neconversation yavakaita mama vachitoti ndauya kuzoona daddy iye murume wacho achiti auya
nemukadzi wake. Imwe yacho yaive yemurume uya achiintroducer mukadzi wake nemwana kuna
mama vakatombundirana futi. Kwakuparadzana then video yamom nadaddy vave kubuda pahotel
vakatopanana hug umwe neumwe ave kuenda kumota yake. Ndakabva ndaona mapics ose andakatora
mama muspare neanguwo ndiri pedyo navo akabatana neriya raive pafake video then video
yemurume uya achirara nemukadzi wake murima vapedza vakabva valighter light kwakuonekwa kuti
havasi mama vachitoita nyaya dzavo padiki pavo paitove nekamwana kavo kaive kakarara.

Ndakafara ndikajambira Nyasha then achibva ati,

Nyasha..... Lisa sorry nezvaitika mese naChris but ndaitira kuti muve safe ndazviziva kuti ndine
mhandu dziri pano asi kuti nditi ndedzipi ndirikushaya. Vamwe ndave kuvaziva asi ndikazviratidza
ndisati ndaziva vese hapana zvandinengendaita nekuti vanenge vasara vanotozotiuraya tese so for the
mean time, ndichambonyebera kukuvengai. Chris ndamurovera camera iri mupassage kuti uyu kana
auya agoona camera iyoyo zvaitika ndoziva kuti achatarisa. Lisa don't take my words to heart babe I
love you and am ready to sacrifice everything that I have for the sake of our love mai Chris. For the
past 22yrs ndairarama nenyasha dzamwari asi kubva zvandakakuona, my life is complicated babe,
please give me 2 weeks to solve every problem that we have.

Mai Chris vaive vava kuchema vachibva vambundikirwa naNyasha,

Nyasha..... Lisa I love you and am ready kukuchengeta nevana vako. Kuita everything zvandakatadza
kuita as a father. Chris my son I love you okay.

Vakabva vambundira Chris.

Nyasha.....zvese zvaunoda ndichazviita mwanangu gore rino richapera wawana everything


zvawaifanira kuwana for the past 22yrs I promise.

Me..... Thank you daddy.


Tese takabva tambundikirana.

Nyasha..... For now, we have to act as if tiri kunetsana wese wamaona ari bad tiri kuda kumubvisa
zviri smart for now pane munhu wandakamirira ari kutsvagwa akawanikwa iyeye nyaya yedu yapera
akatiza but I promise tomuwana.

Me..... Okay ndakuenda kumba but ndoda kudzoka nekudam kuya so ndiudzeiwo kuti ndofamba sei.

Nyasha.... Don't worry toenda tese, rega ndigeze tibude. Mai Chris ndokuona ndadzoka handiti, she
nodded Nyasha achibva abuda.

Chris..... Varikurevesa mama, pavanga vachindirova vavachinditsonya.

Mai Chris..... Am happy my child.


Ndakabva ndabuda ndave kunopfekawo kuti tibude.

Takafamba Zvakanaka kuenda kumba pasina aitaura neumwe. Nyasha ndiye aidriver, ndakasenda ma
video nemapics kufamily group. Ndichibva ndasenda sms yekuti mama is innocent.

Takasvika kumba mama vachichema vachitaura nadaddy. Ndakabva ndaona kuti vaitokumbirana
ruregerero. Ndakafara kuona vabereki vangu vachiwirirana zvekare. Mama nadaddy vakabva
vandimbundira nemufaro.

Ndakabva ndavaudza kuti ndiNyasha aive atsvaga evidence. Vakafara tichibva taoneka takuenda
kudam.

Takasvika padam ndichibva ndaona paine vamwe gogo vaive vava kutobva zvavo hameno kuti vaiitei.
Takakwazisana vakatanga kufamba vachienda, tichibva tatanga kutaura nyaya dzedu,

Nyasha..... Ndipo padam pacho apa Danny, I wish kuona mwana wangu zvekare.

Me..... Cynthia come back to us please.


Gogo vaya vaive vatoti fambe mbijana asi pandakati Cynthia come back to me vakavhunduka
vachibva vati,

Gogo...... Sindiya

End of Chapter (2020)

40

*Continuation of uncomfortable feeling..*

Chakave chipata pata kudira mbuya mvura tikazonovaradzika pamubhedha vachibva vamuka asi
vaive nekutya mavari,
Nyasha.... Musatye mhai hapana munhu anokuitai chakashata ndiripo kunyangwe iye Pirai wacho
tinomusungisa.

Mbuya.... Une chokwadi iwe?.

Nyasha.... Chokwadi mbuya.

Mbuya.... Ko sekai unomuziva naZakari, vapenyu here?,

Me..... Zakari akashaika gore razvarwa baba vangu.

Mbuya..... Igore ripi iroro?

Ndakabva ndavaudza vachibva vatanga kuchema,

Mbuya..... Zakari akazoguma nevana vatatu voga.


Vanhu vese vakaramba vakanyarara,

Mbuya.... Kuti Tapiwa, Tatenda nemukomana wandisina kumboziva zita rake, aaaaa ndidzoserei
zvangu kumba kwangu ndinozvigarira ini.

Nyasha..... Ndokumbirawo mumbobuda nditaure naMai and Daniel please I will introduce myself to
her don't worry.

Takabva tabuda tikasiya mbuya vachichema. Angel akabva atorana naCee ave kunogeza vachiita
nyaya dzavo.

Ndakafamba ndikanopinda muroom mandaive ndapiwa.Chris akabva apindawo akasvika


achindimbundira,

Chris..... Thank you so much Daniel. Unoziva zvese zvandiri nhasi is because of you, you did a great
part in my life, thank you so much Daniel.

Me.... It's okay Chris


Chris..... Can I ask something?

Me.... Yes

Chris..... Urikufungei naNyasha?

Me..... Chris I really don't know but what I know is that there is something fishy zvaasiri kuda
kutiudza let's wait until then.

Chris.... But are you going to forgive him.

Me..... Chris ini Nyasha haana kumbonyanyo nditadzira asi akanditadzira. Munhu waakanyanya
kutadzira ndiMai vako so kana mama vakamuregerera ko ini ndingachengeterei chigumbu.

Chris.... Thus true, ko why ati anoda kusara nambuya chete.

Me .... I don't know but all I know is Nyasha akangwara and dai ndaenda ndega kuna Cee
ndaisadzoka naye.
Chris..... Okay rega ndimboenda kusitting.

Ndakageza ndichibva ndafunga kumbonoona Cee then ndozorara. Ndakafamba ndichienda mumba
mavaive. Ndakawana shasha dzichitaura nyaya namama,

Me.... Cee

Cee..... Daniel thank you so much shaa unoziva ndakanguri ndada kuuya asi ndaitya.

Me..... I did it for the sake of mama infact, Nyasha ndiye atoita kuti ndikuwane dai ndandisina Nyasha
handaimbo taura naGogo vakanzwisisa.

Cee..... Wait, Nyasha?

Ndakabva ndarohwa nehana Nyasha aive ati ndisataure.


Cee..... Mama is he the same Nyasha, your husband?.

Akataura ave neshungu.

Me.... Relax Cee

Cee.... No, I almost died because of him.

Akabva andipusha achibuda, tese takateera tichimhanya ndakamubata ave kusvika padoor.
Ndichibva ndamuvhara muromo, ndakabva ndanzwa munhu aichema muroom maive nambuya
naNyasha.Tese takatarisana mama, Angie naCee ndichibva ndaregedza Cee tikafamba tichienda
padhuze ndichibva ndanzwa Nyasha achiti,

Nyasha..... Mhai ndakarova mukadzi ndikada kuuraya mwana wangu nekuda kwevanhu ivavo mhai
ndotarisana sei naLisa, ndiri kufunga kupa Lisa, Chris naCee pfuma yangu ndosiya ndaita kuti
upenyu hwavo hunake for ever ndozviuraya hangu I don't deserve to live mhai.

Mbuya..... Kwete mwanangu iwe wakaparadzaniswa nemhuri yako for 22 yrs ko ini 50yrs ndingadai
ndichiri mupenyu here mwanangu, shinga inga wanga watosvika wani.
Nyasha.... Ndotarisana naCynthia sei mhai ndotarisana nemwana wangu sei ko?, iye Lisa
achazozvibvuma here kuti pese pandainyepera kusamuda tichangoroorana ndaizama kumu protector.
Achabvuma here kuti pandaiti ndoda kuuraya Chris ndaingoda kumuvhunditsira kuti ataure chokwadi
tiendese mwana kuna baba vake toita vedu.

Mbuya..... Zvese izvozvo hazvina basa mwanangu tinonamata uye ndiri pano ini ndichataura navo.
Iwe chibvisa mhondi idzi pamba pako zvawave kudziziva.

Mai Chris vakabva vatanga kuchema vachibva padoor Angel achibva avateera. Ndakabata Cee ruoko
kwakuenda naye kuroom kwangu. Aive ava kuchema,

Me..Cee you have to be strong for mama.

Cee..... Ndoita seiwo zvazvadai nhai Daniel?.

Me..... Do you love your mother?.

Cee.... 100%
Me.... Good if you love her, you have to do zvinovafadza.

Cee..... Wait, mama vave kuda mhondi iyo.

Me..... He is your father Cee.

Cee.... Vangu vakafa Daniel.

Me..... Mama havana kumboti vanovada kana kuita anything chinoratidza kuti vanovada. Pano
Vakauya mushure mekunge ndatorwa nematsotsi. Nyasha akavatora achiti matsotsi anditora anogona
kuvakuvadza. Pandakazowanikwa akabva ati tigare kusvika apedza zvaari kugadzirisa. I believe there
is a story behind everything zvirikuitika. Cee ndokumbirawo usapindire nyaya yaNyasha namama
please,

Cee.... Why?

Me....22yrs of her life havana kumboita boyfriend Cynthia, vaishanda kuti mudzidze, vaigona
kungoita zvechihure votorarama life iri bhoo but she sacrificed her happiness for you. At least
chivapawo mukana wekufara. Ukangoti haudi kuona Nyasha, am sure mama vanomuramba. She will
never be happy muupenyu hwavo hwese.
Akandimbundira achibva atanga kuchema ndidzo nguva dzakapinda Angel.

Angie..... Cee give mom time yekufara please, I think Nyasha was being pushed nezvimwe zvinhu
ndosaka vaiita zvavaiita.

Cee..... Mama vati vanovada.

Angie... No vangoti vakuda kuenda kuMasvingo mangwana havachina chekugarira pano but inini
hangu ndoona sekuti mom vachiri kuda murume wavo.

Cee.... That means ndiri kunogara kuMasvingo ndega.

Angel..... Ukangoti wakuenda mama will go. Please Cee for the sake of mom's happiness.

Cee..... Handigone kugarisana naNyasha under the same roof, aida kurara neni plus ndakaratidzwa
video achirepa mama togarisana sei?.
Chris..... (Aitaura achipinda padoor) neniwo ndakapfurwa Cee ndikamukira kuchipatara.

Cee..... Saka ndiye munhu wamuri kuda kuti agarisane namai vangu iyeye.

Nyasha akabva apinda tese tikamutarisa. Maziso aive akatsvuka nekuchema.

Nyasha..... Don't worry Cynthia for the first time in my life, I will sacrifice my happiness for others.
All I want is your happiness, decision yamunenge maita, I will support that. Kana ndapedza zvandiri
kuita ndichakupai pfuma yangu yese muri 3, iwewe, Chris namai venyu. Don't worry about me, I will
give myself punishment inoenderana neni.

Vakabva vatendeuka vave kubuda vachienda, Cee akasara akachema kani. Takamurondedzera zvese
zvaive zvaitika kubva zvaakabva. Takazosheedzwa kusitting.Takawana Nyasha akagara pasofa
nambuya akatsikitsira. Mom vakagarawo opposite side vakatarisa Nyasha vachibuda misodzi, Cee
akabva amhanyira paive namom vake. Munhu wese akagara pasi, Nyasha achibva abudisa mapaper
kwakunditambidza. Ndakatarisa ndikaona ari mapaper edzimba dzangu aive adzoka muzita rangu.

Me..... Ko makazviita sei, Thank you so much.

Nyasha.... It's okay


Mumba makabva mapinda Bright achitozvida akasvika achimhoresa vanhu kwakugara pasi.

Nyasha..... Guard, ndisheedzerewo vashandi vepano vese.

Vakauya neumwe aiita zvekubika ainzi ahanzwi haatauri. Vakasvika vakagara pasi vaive vakawanda.
Nyasha akabva asimuka kwakubudisa pfuti vanhu vese takavhunduka. Akabva adeedza muface
wekusanzwa,

Nyasha..... Bright sit down.

Bright.... Daddy why?

Nyasha..... Am not your father.

Vakabva vaita sevaicheuka, Bright uya kwakutobudisa yake pfuti kwakutenderera Mai Chris.
Bright..... Pfuti pasi or else she will die.

Nyasha akangotsveta pfuti iya pasi achibva apfugama akasimudza maoko.

Nyasha..... I know that you want my money. Ndokumbirawo kuti ndikupe mapaper ezvinhu zvese zviri
muzita rangu zviri kunze kwenyika zviri muno ndopa mhuri yangu then wondiuraya hako coz I don't
have any reason yekuraramira.

Bright..... Tapiwa arikuuya pano izvezvi kuzotora dzimba dzamaka mutorera then l we will decide kuti
todii nepfuma yako.

Akabva atanga kufamba achienda paive nevanhu vaive vakagara pasi, vashandi. Achingoti 2 steps
kubva paive namai Chris, Cee akangosimudza vase raive pedyo, ndakanzwa umwe wevashandi ave
kudanidzira kuti hokoyo. Paakatendeuka kuti apfure Cee, Nyasha akabva abudisa imwe pfuti
kwakupfura ruoko rwaive nepfuti ichibva yadonha pasi uku Cee haana kurega kumurova nevase
akabva adonha pasi. Ini ndakabva ndanonga pfuti yake. Kwakuti mira ndakaibata. Cee akabva
amhanya paive naNyasha akasvika achikumbira.

Nyasha..... Thank you my daughter.


Ini naNyasha na Chris taive tachibata pfuti manje.

Pasina nguva makabva mapinda varume 3 vakasvika vakasunga vanhu 5 vaive pavashandi vaNyasha
including Bright.

Nyasha akabva adzosera pfuti yake kwakugara pasi.

Nyasha..... Bright I loved you semwana wangu, ndikakuchengeta nekukuitira zvinhu zvakawanda asi
wakafuririka chero dai Lisa aidzoka muupenyu hwangu waingoramba urimwana wangu uchingowana
zvawaiwana. Zvinhu zvangu zvaunoziva it's just 30% yepfuma yangu, chero dai maizvitora Lisa
nevana vangu vaizongogara zvakanaka but wazvikanyira upenyu wega. Boys vaendesei kuya.

Cee..... Please daddy don't kill anyone.

Nyasha.... I won't my daughter, am just waiting for someone kuti tipedze nyaya idzi.

Man1..... I think vasvika avo sir.

Nyasha.... Good ngaapinde.


Tese takaramba takanyarara takatarisa kudoor. Ndakashamisika kuona family doc vachiita
kukandirwa mumba nevarume vaviri apa vaive vakazara mazivanga airatidza kuti ndeekurohwa......

End of Chapter (2020)

*SEMI-FINAL* (bonus chapter)

*Continuation of uncomfortable feeling..*

*.. Tapiwa (bamukuru)..*

Tapiwa Pirai ndiro Zita rangu ndakakura ndichigara namai nehanzvadzi pamwe nemunin'ina wangu.
Baba vedu takangokura zvichinzi vakashaika tichiri vadiki.

Pane zvinhu zvandaiona ndiri mudiki, ndaiona kuti mai vaivenga Tawanda vaisamuda semadiro
avaitiita isusu. Pataka vabvunza naTatenda, vakangoti ndiye akaita kuti murume wangu afe nesuwo
takabva tazvi tenda tikatanga kuvenga Tawanda. Tawanda aive akashinga zvake uye aisa complena
aive mwana anoterera akanyarara anehunu. Zvataimuita aisambozviona kana aizviona hake aisaita
hanyanazvo. Chaizonyanya kundirwadza ndechekuti aida chikoro uye aigona. Taimbozama
kumurovhesa asi aibva atonyanya kupasa. Term yaive yanzi namai ave kurega chikoro ndiyo
yaakatsvagirwa Donor naHead vedu. Mama vakambozama kuti hazviite asi kwakatobva tsamba
kueducation yaiti ngaaende kuBoarding School. Kubva kwaakaita pamba takasara tave kutambura
nebasa ko zvaive zvisina kujairwaka. Tawanda haana kumbouya kuholiday kusvika apedza form 6
ichipera akawana basa akatanga kushanda achitumira kumusha. Rimwe zuva takazongoona auya
achiti ave kunodzidza kunze. Ndakarwadziwa asi hapana zvataigona kuita. Aifanira kugara vhiki yose
saka Mai vakabva vati vaizomuisira mushonga wekuti afe nekuti aizotidadira adzidza. Zuva rataiti
tichamupa mushonga, kuseni kwacho pamba pakangosvika mota yaiti aidiwa kuHarare aizodzoka
hake. Akaenda Harare tikasara tichigadzira mushonga namama. Tatenda taisamuudza nekuti aive
asina chifuva. Manheru ezuva racho akabva atofona achiti haachadzoki anzi anofanira kutoenda
zuva iroro. Paakapedza kutaura namai, ndakabva ndati mhai ngatinyepe kuti madonha
mukavhunika gumbo adzoke tizomuuraya. Takazama kufona asi yakaramba, takagara vhiki mbiri
tichingozama asi hazvina kuita batsiro akatozofona achiti atove kuchikoro. Makore akafamba
akadzidza akapedza achibva adzoka achitotanga kushanda. Mazuva acho ndaive ndichangoroora
saka akatoti ndiuyewo ndizogara kumba kwake ndichitsvaga basa. Ndakaenda ndichida kumuraya
asi pa2 days dzandakagara naye ndakanyatsoona kuti ndikauraya munhu uyu rugare hapasisina
ndotodzokera kumusha.

Takagara Zvakanaka makore matatu kushanda ndairamba ndichingoti handiridi basa racho. Never
naNoman ndiye aitengera hembe zvese nemukadzi wangu aitengerwa kubva kupant. Tawanda
akambouya neumwe musikana achiti anoda kumuroora vaitodanana asi ini ndakaziva kuti akaroora
chedu hapasisina. Ndakaenda kumba kwemusikana uya aigara ega kune imwe area. Ndakasvika
ariko akanditambira zvakanaka. Ndakapinda mumba tikavhara door nekutokiya. Ndakabva
ndamubata kwakumudzipa, akabva atambura mwana iyeye. Ndakamudzipa nemaoko angu aya
kusvika afa apa akafa akangonditarisa, ndakasiya ndakamuisa mumachira ndikadzoka kumba.
Tawanda akarwadziwa nerufu irworwo chaizvo asi ini pangu ndaive ndaita zvekushainirwa
ndaisada.

Akazoroora Tawanda akangouya nemusikana wandaisaziva, ndakatsamwisa ndikazama kumuuraya


kaka wandisa asi zvichiramba.Rimwe zuva ndakangozonzi naTawanda ndakuwanirai basa
ndakazama kuriramba basa asi akati iye aive ave kuita zvemhuri yake saka kuchengeta mhuri mbiri
kwaimuremera.

Ndakabva zvangu asi ndakarwadziwa ndikaudza mai, vakati vaizouya nemushonga, vaingoverengera
kusvika mwedzi wapera mukadzi waTawanda akatumira grocery raityisa kumusha isu akatitumira
mari. Tese namai takafara tichibva tatoti sezvo ainzwisisa taimbomira kumuuraya. Akazoita nhumbu
mama vakaenda vachida kunoibvisa asi hanzi yaisabva vakatomupa mushonga kakawanda
ichiramba kubva. Takazofunga kuudza Samuel boyfriend yamama kuti auraye mwana paanozvarwa.
Zuva rakazvarwa mwana Doc Samuel vakafona vachiti paita deal remari refu. Vakandiudza mari
yacho yaitokwana kutenga imba nemota. Ndakafonera Mai ndichivaudza, takatenderana kudya mari
iya. Samuel akaita dhiri rake rikafamba zvakanaka. Deal racho raive rekuchinjanisa mwana
waTawanda neumwewo aida kuti zviitwe ndiye akatipa mari zvese zvakafamba mushe kana nesu
taive tave kufarawo kuti kana mukadzi waTawanda akangoita zvinobhowa taizomurambisa. Mainini
havana kumbobvira vatiitira utsinye vaitibata zvakanakisa.

Ndakazonzwa kuti Daniel naAngel vaive vave kudanana ndakaziva kuti nyaya iye yaive yave
kuzobuda pachena manje. Ndipo pandakaona kuti kuuraya Angel was the best solution. Ndakaita
munyama wekuti Daniel akanzwa ndichitaura maDoc ndipo pandakaona kuti nyaya yaive yakora
muto iyi. Ndakazama kutsvaga kwavaive vatizira ndikakushaya ndaive ndave kungogara ndine
stress. Mazuva avakabudikira ndiwo mazuva andakaudzwa kuti mwana waTawanda chaiye aive
mupenyu uye aive hanzvadzi yaCee wekudonator kidney uya. Ndakaita mudumbu ndikatozviudza
kuti vaifanira kufa vese Angel naDaniel. Ndaifara kuti uyoo murume aive baba vaCee aive
achitodawo kuuraya Cee nehazvanzi yake ndakaziva kuti dambudziko rangu raizopera zvachose.

Ndakashamisika pamuchato wandaive ndarongera Angel, Nyasha obudikira. Ndaivati vachate then
Angel onofira kuhoneymoon yavo. Daniel ndaizosara ndodeala naye. Pakabudikira Nyasha
ndakanzwa kutya asi ndakazosimbiswa naMbizo. Samuel ndiye aive azondisanganisa naMbizo.
Takangotenderana kuuraya vese vana vari4 though Cee paive pasisina. Daniel takamutora asi
pataive tave kuda kumuuraya takasvikirwa nevarume vaisatarisika nekutyisa. Pavakaenda naDaniel
mbizo akabva ati,

Mbizo.... Ukaona tikatadza kuuraya Nyasha tinofa takasvinura sematemba.

Ndakatanga kutya asi hapana zvazvaibatsira. Uyuwo Bright aisaita zvine musoro chaimukonesa
kuuraya Nyasha ndaichishaya. Rimwe zuva ndakafara kufonerwa naBright achiti aive abatira
Nyasha pfuti, tichiuya tizomuparadza. Tichingopinda mumota takabva tatokombewa nevarume
vaya vekutyisa tikaburutswa mumota tikasungwa kwakukandwa mudzimota mavo. Takazongoona
tave kumba kwaTawanda apa mukadzi wangu nevana vaive vaveko nemhuri yaMbizo. Mbizo
akandizevezera kuti,

Mbizo..... Mabasa aNyasha aya.

Hana yangu yakarova, zvedi Nyasha ndakazonyatso muziva ave kundirova, kana paiva
neakambotemwa nechitinha chirikuda kutema imbwa yepa next door, ndiye ega munhu anga
nzwisisa zvinoita chibhakera chaNyasha. Ndakarohwa 1 chepa mazino ndikaona rimwe zino
richidonha mamwe maviri achisara achizungunuka. Handina hangu mate nemunhu anonzi Nyasha
Meraa. Mhosva dzangu dzese ndakadzidura wani. Pandakapedza kutaura ndaive ndazara misodzi
pahembe. Nezvekuuraya musikana waTawanda ndakazvitaura asi ndaive ndakazviudza kuti isecrety
yekufa nayo asi apa taiva tave kutaura zvaNyasha aive pamberi pangu zvese ndakataura kuri kutya
kufa, hushingi hwaive pameso pake hwaikuratidza kuti ukaita zvekutamba unofa masikati machena,
anonzi Nyasha iyeye....

Nyasha..... Mbuya Pirai tauraiwo zvenyu zvitadzo. Ndimi mave kutevera.

Ndiwo mashoko akataurwa naNyasha pandakapedza kutaura. Mumba maiva mave mariro ega ega
nekuchema.

*..Mbuya Pirai(Sekai)..*
Sekai Misodzi ndiro Zita rangu. Ndakazvarwa ndichingove munhu ane utsinye asingade kuona
vamwe vachibudirira zvikazondituma kuti ndiite zvekuchera mishonga izvo zvandaka dzidziswa
nambuya mai vababa vaive N'anga. Baba Tapiwa aive mukomana wasisi vangu asi ndakarwadziwa
nekuti ini ndaidanana nemufudza mombe ndakabva ndaisira sisi mushonga vakafa hapana kumboita
vhiki ndaive ndave kutofambira bamukuru ndakamudyisa andida wani, baba vakabva vatanga
kunyunyuta vachiti zvandaiita zvaisaita nekuti sisi vaive vachangofa. Ndakavaisira mushonga futi
vakafa. Ndakasara namai vaida zvekudya saka ndakangovasiya vakadero. Ndakaroorwa naBa
Tapiwa akati aida vana 6. Ini ndaisada izvozvo ndaive ndakabvisa mimba dzakawandisa ndiri
musikana saka ndaitya kuzokuvara nekuzvara. Ndakarwadziwa amitisa musikana webasa. Ndakabva
ndafonera hanzvadzi yangu akati iye aizotora Nakai kuti amuuraye. Pandakanzwa zvekurwadza
kwenhumbu vave kuenda ndakamumisa ndikati regai nditore mwana sezvo murume wangu aida
vana ndaingozonyepa kuti mai vacho vatiza.

Haana kuzvibvuma baTapiwa zvekuti Nakai atiza sak ndakaona kumuuraya ririzano rakanaka nekuti
ndaingozopiwa mari nehurumende varume vekuzvifadza vaisapera ndaiswera ndamuwana. Akafa
zviri smart ba Tapiwa, ipapo ndaive ndakapiwa chipo. Ndaiti ndikauraya munhu hapana aizvifungira
kana kuzviona. Ndakabva ndatanga kuvachengeta varivatatu. Zvataurwa naTapiwa ndizvo chaizvo
zvandaiita ndaimuvenga zvekuti ndaida kumuraya asi pese pandaida kuzviita paitowana
chinokonesa. Pandakaziva zvaNyasha ndakabva ndaenda kumusha ndichida kunochera mushonga
wekupfungaidzira vanhu vose kuti vamboita semadununu towana kuuraya vataida kuti vafe

asi ndakangoti ndichidzika bus kumusha ndakabva ndasvikirwa nevarume vatatu vakanditakura
vakandikanda mumota vakati pamakachera mushonga pakakwana mbuya. Vakandisunga
vakanondiisa musitting maTawanda ndakashamisika pamwe nekurohwa nehana kuti vana Tapiwa
naMbizo vaive vasungwawo mumba imomo. Hana yangu yakatanga kurova, ndakazoita sendichafa
pandakaona Nakai achipinda, ini ndaiti akasofa kare kare manje zvaaive mupenyu nhaimi apa aina
Nyasha, ndakanyatso ona kuti ndapera. Ndakabva ndazviitira weti. Pandakarohwa naNyasha
ndakanzwa rumwe rushaya rwangu kuoma ndikazvipira kutaura matadzo angu ese hapana
chandakasiya, asi pandakazopedza ndaive ndatozviitira manyoka nekuti kufa ndaikutya kani Nyasha
akabva angoti,

Nyasha..... Perekedza mbuya ava kunogeza iwe Bright. Ndave kuda Samuel kuti auyewo kuzoreurura.
Ndakasimuka hana ichiri kungorova asi ndaive ndave kuhuta zvakanyanyisa uye ndainzwa kupindwa
nechando. Ndakasiya Samuel ave kutaurawo.

*..Samuel (family doc)..*

Zita rangu ndinonzi Samuel Moyo ndakazvarwa ndiri ndega zai regondo chairo namai nababa vaiita
zvechitsotsi vese vaiba vachiita zveku robber nekuuraya vanhu. Vakazouraiwawo ne accident
vachitiza mapurisa ipapo ndaive ndatove kuita chidoctor kumhiri kwemakungwa. Vakavigwa ini
ndichibva ndatouya kuzovhura surgery muHarare. Nekundiziva, vanhu vepolitics vaiuya kuzoitirwa
madirty games avo. Ndaivaitira zviri smart even suspect yaisawanikwa nekuti ndaive ndakakurira
mazviri, uye zvaindidyisa mari. Vanhu vandakauraya vanogona kutozadza bus munhu wese afunga
kupfuudza munhu aitouya kwandiri uye ndichiita mari zvekuti pane mazuva andaive ndisisatode
varwere vari normal vasina zvechitsotsi mukati.

Mbizo ndini ndakamuudza zvekuurawa kwababa vake ndaida kutongokonzeresa noise. Zvekuchinjira
Nyasha mwana yaive plan yangu uye yakanyatso buda zvakanaka, vaive kuzvipatara zvakasiyana asi
yakaita nyore nyore, nurse wandakashandisa kutora mwana waNyasha ndakamuuraya soon after
basa rapera zvekuti haana kana kumbowana mari yake. Zvakazonetsa Daniel ave nemafeelings
naAngel ini ndakanyatsoona kuti iri rave dambudziko saka kutouraya vanhu ndiyo solution.
Pakatorwa Angel naDaniel ndamubaya injection ndaiti haararame asi ndakazoshamisika vadzoka
ndipo pandakafunga kutiza. Musandibvunze zvemhuri guys handina kumbobvira ndaroora
ndaingoita zvekurara nevakadzi vevanhu.

Ndakabuda muZim ndikaenda ku Somalia ndichiti kure plus hapana anombofunga kuti ndiko
kwandiri. Mazuva ekutanga ndaigara muhotel. Zuva randakazofunga kutsvaga imba ndiro zuva
rakasvika vakomana vaNyasha. Yaaa kana zvichinzi kune vanhu vakaoma ka yaa pana Nyasha
ndabvuma hangu. Pane mamwe maboarder andisina kupinda nepassport ndichiti asandiwane like
rekupinda muSomalia ndakajamba asi akateera Nyasha. Moziva ndakarohwa zvekuti ndachembera
vaisa tombozviona vakomana ivavo. Ndakadzoswa kuZim zuva iroro ndikasvikira kwaNyasha.
Ndaive ndave ready kufa zvangu asi ndaida kusiya ndataura chokwadi chese. Marohwerwo andaive
ndaitwa aitove kafira mberi chaiwo.

Pandakadeedzwa naNyasha kuzoreurura ndakataura mabasa ese erima andakaita including vanhu
vandakaisa ropa rine AIDS mumuviri nemazita mashoma evanhu vandakachinjira vana vandaive
ndichiri kuziva ndakataura achinyora pasi. Ndapedza akabva ati,

Nyasha..... Garai pasi, ndave kuda Mbizo.

Ndakagara pasi ndamirira kupfurwa nepfuti kuti ndife nekuti Nyasha ndaimuziva ndingangoti
kuvanhu vese vandaiziva vaiita zvepolitics Nyasha aisave neutsinye asi akatsamwa aisadzokera shure
uye aive munhu anorova uye ane ushingi.

*..Mbizo..*

Tanaka Mbizo ndiro zita rangu ndakakura ndiri munhu asingade zvenoise asi musi wandakanzwa kuti
baba vangu vakauraiwa naNyasha ndakangozviudza kuti nomatter what ndaizotsiva chete,
ndaingotarisa chinhu chaanonyanyoda. Ndakawana mai vake ndikavauraya zviri smart, mukadzi
ndaizviona kuti haanei naye saka ndakangosiyana nazvo ndichibva ndachinjanisa vana.
Pandakazoziva kuti aive ave kubuda muZim ndakaona kuti shasha yainyepera kusada mukadzi
ndakabva ndanobaya mwana injection rekuti arware uye ade kupiwa ropa. Ini naNyasha taive
mafake friends mazuva acho. Paakazviziva kuti mwana haasi wake akauya akandiudza ndikamuti
atsvage vanhu vanorepa mukadzi wake, ndaida kuti chero vakazoziva chokwadi mukadzi avenge
Nyasha zvekusada kudzokerana naye. Nyasha zvekurepesa mukadzi wake aisada asi ndakamu
manikidza. Mukadzi wake akangozotiza tese tikatadza kuziva kwaaive aenda. Ndipo
pandakamuudza kuti auraye baba vemukadzi. Zvakafamba Zvakanaka vakafa ndichibva ndati atore
mwana waLeeroy waaidisisa akaita sekudaro mwana akaenda kuCHINA. Ndakabva ndamuti auraye
hanzvanzi dzaLisa ipapo ndipo patakazoburana achiti iwe urishamwari yakashata. Ini ndaida kuti
auraye hama dzaLisa dzose ndozomubudisira chokwadi chekuti mwana wake akachinjaniswa.
Pandakamuti auraye hanzvadzi dzaLisa akabva abuda muZim achienda kuUK hatina kuzombotaura
zvekare kusvikira azodzoka pakauya Lisa.

Ndaida kumuuraya Nyasha nemhuri yake ndichishandisa Bright ndozopedzisira naBright wacho
ndobva ndatora pfuma yaNyasha yese. Ndapedza kurondedzera ndakapfugama pamberi paNyasha
ndichida kukumbira ruregerero asi akandisimudza achiti yaisave nguva yekukumbira ruregerero.
Chinhu chinonzi kufa ndicho chandaisada ndaidawo kuchengeta vana vangu vaive vachiri vadiki.
Manje Nyasha Nyasha Nyasha hameno kuti zvaizoguma nepi. Ndichipedza akabva ati.....

Nyasha..... Handei togara pasi tete Tatenda huyai tione.

*..Tete Tatenda..*

Tatenda Pirai ndirozita rangu. Ndakazvarwa ndiri munhu asina utsinye kana godo asi zvimwe
zvaiitwa namama naTapiwa zvainditumawo kuteedzera asi Tawanda ndaimufarira zvangu. Handina
chandakamboita chakashata muupenyu hwangu kunze kwekunogara paimba yaDaniel
zveutsinye.Tapiwa ndiye aive andifurira kunogara ikoko achiti ndibve paruzevha, ndaingotiwo
Tapiwa ari right vana havafanire kudanana. Ndakangozoona mota yauya pamba tikatakurwa
zvenharo kuuya kuno ndipo pandakawana vana Tapiwa namama vakasungwa vari muno.

Pandakapedza kurondedzera ndakakumbira Daniel ruregerero ndichibva ndamuti ndave kunobva


pamba pako ndidzokere kumusha Nyasha ndiye akazongoti,
Nyasha.... Nhasi harisi zuva reizvozvo muchataurirana nenguva yenyu, handei pana Never.

Ndakanogara pasi nekukasira Nyasha aitongotyisa chero akazvinyararira.

*..Never..*

Never Pirai ndirozita rangu ndakakura ndiri munhu asina utsinye asi ndaive negodo neupenyu
hwabamukuru. Pandakanzwa zvekudanana kwaAngel naDaniel ndakatofara ndichiti vaitirwa utsinye
asi ndakazofonerwa naNatasha achindipa pressure yekuti tirove Angel. Kurova kwandakaita Angel
yaingove nyaya yepressure yandaipiwa naNatasha achiti hanzvadzi nehanzvadzi havafanire
kudanana. Ndakazongo siyana navo ndaona kuti ndakuvadza mwana wevanhu. Natasha
ndakambozama kumuudza asi akaita nharo ndikasiyana naye ndave kuita zvemhuri yangu.
Ndakazongo ona mota yasvika nezuro ikatitora tikauyiswa kuno. Zvenyaya dzana daddy nambuya
ndaisambo zviziva.

Pandakapedza kurondedzera ndakakumbira Angel ruregerero ndikamiswa naNyasha ndisina


kupedza.

Nyasha..... Zvakwana bambo garai henyu pasi, Natasha teera. Norman haana nyaya uyo.

Ndakanogara pasi ndichingoti mazvita henyu mwari handina kurohwerwa kukuvadza Angel, ndaingo
namata kuti ndisvike pakudzokera ndisina kurohwa ndaizonozvigarira nemhuri yangu.
*.. Natasha..*

Natasha Pirai ndiro zita rangu ndaisadawo kuona mai Daniel vachishungurudzika saka ndaizama
kuparadzanisa Daniel naAngel ndichingoita zvandaiudzwa nambuya. Pandakapedza kutaura
ndakabva ndanyarara.

Nyasha..... Mune chokwadi kuti mataura zvese

Me..... Ehe

Nyasha..... Heya garai henyu pasi.

Ndakafarisa chaizvo zvekuti vanhu vazive chokwadi changu ndizvo zvandaisada. Ndakagara pasi uri
mufaro bedzi kutaura chokwadi Daniel ndaimuda kubva tichikura, he was handsome
achinyatsoonekwa kuti ndivo varume ava. Ndakango zviudza kuti Daniel aizoita wangu no matter
what. Ndaimuda Daniel ndaisada kurasikirwa naye especially achienda naAngel haa izvo bodo,
ndaifanira kutoita plan nekukasira Angel afe zvake.......

End of Chapter (2020)


*FINAL CHAPTER*

*Continuation of uncomfortable feeling..*

.. Daniel..

Pane zvimwe zvinhu zvekuti kana zvichitaurwa unotadza kutenda kuti zvirikuitika muupenyu
hwatinorarama. Pavanhu vose vakareurura zvitadzo zvavo family doc ndakavatya ini kuuraya vanhu
kunge huku kudero, ndinofunga chero iye Satan chaiye haangambosvike pana Samuel. Munhu
anenge akura arimutano ongozonzi ave nechirwere, chirwere chaasingazive kuti chakabva nepi
zvakangoomawo hazvo, ndakanzwa kuvavenga zvese nemumvuri wavo

Nyaya yekuti ini naChris takachinjaniswa yakauya sechibhakera pamoyo wangu ndaive ndisina
kuzvitarisira. Ndakanzwa misonzi yangu kuuya ndichitarisa Chris nezvaaingove nemagonero aaiita
dai ari someone nhasi uno asi nekuda kwambuya vane moyo weusatan akakura achitambura.
Handina kuzviramba kuti Nyasha ndibaba vangu, zvaitoonekwa chero neachembera kubudikidza
nemafananiro ataive takaita asi kubva zvandakaziva Nyasha ndaive ndisina kumbowana nguva
yekubvunza nezvemafananiro edu kuti taive tine ukama here asi ndaitoda kuziva nguva ndiyo
yaishaikwa maBP aive akawandisa.

Ndakatarisa Chris aitadza kana kufema neshungu, moyo wangu ukarwadza ndikaenda paaive
ndikatanga kumupuruzira. Pakapedza vanhu kutaura zvivi zvavo Nyasha akaisa pfuti patable achibva
afamba zvishoma zvishoma achinopfugama paive naChris,

Nyasha..... Mashoko andingataure pano haakwanise kukuti sorry uye chero jere chairo handikodzeri
mwanangu asi mubairo wangu ndinouziva.Ndiri kuda kukupa pfuma yandakatadza kukupa uchikura
kusvika nhasi uwane pekutangira neupenyu hwako.
Nyasha akabva asimuka. Akanotora mapapers aive patable kwakuuya nawo achibva atanga kutarisa
kwakuti,

Nyasha.... Chris mwanangu ndokumbirawo usigne apa.

Chris.... No baba

Nyasha.....Chris mwanangu ndinokumbirisawo ugamuchire zvandiri kukupa ndinoziva ndakatadza


uye zvitadzo zvangu hazvi regerereki asi dzora moyo wako mwanangu unokodzera kugara upenyu
hwakanakisisa.

VaPirai naGogo vakasimudzwa kwavaive vakagara vachibva vauya vakapa Chris hug vachibva
vamutarisa,

Gogo.... Muzukuru Nyasha akakanganisa handirambi asi piwa kodzero dzako mwana wemwana
wangu gamuchira asunungukewo.

Chris.... Kwete mbuya, baba ndavaregerera mbuya asi zvepfuma kwete ndoda kupinzwa chikoro
ndigozvishandira.
Nyasha...... kuchikoro unoenda handirambi asi dai wakaenda nenguva chaiyo nhasi uno dai uri umwe
munhu ndinokumbirisawo mwanangu.

Chris akabva asigner mapapers aya. Nyasha akabva afara akasimuka akanopfugama pana mom
achibva avakumbira kuti vasigner mapaper avaive nawo, mom havana kuramba. Lisa akapiwawo
akasigner, vachibva vazouya kwandiri,

Me.... No daddy ini ndakadzidza business ndinaro mari ndinayo wedzerai Chris.

Nyasha..... Chris ndamupa 30% yepfuma yangu, mama 40%, Cynthia 20% iwe10 asi 10 yacho haizi
yako ndeyemuroora wangu nevazukuru, I hope bye next year ndinenge ndave nemuzukuru.

Ndakango nyemwerera ndichibva ndaSigner.

Nyasha..... Maita basa nekugamuchira zvipo zvandakupai. Lawyer rangu richakubatsirai kuchinja
masurnames nekukuratidzai zvinhu zvacho zvandakupai. Sekuru Leeroy mwana wenyu ave paAirport
kuuya anosvikira pano ndine urombo nezvese zvakaitika. Vanhu vose vareurura muri kuenda kujeri
mese ndafonera mukuru wemapurisa ishamwari yangu ati ave kusvika pamashops kuzokutorai.

Nyasha akabva adzokera kutable kwake ndokunonga pfuti,

Nyasha..... Lisa I Love you mukadzi wangu am sorry for everything I did. Cee naDanny muchengete
mama handiti ndinokudai vanangu sorry about the past.
Daddy vakabva vapfugama pasi vachibva vazvitendekera pfuti. Hana yangu yakaita kutsemuka
ndakashaya kuti vaive vafungei vaihutisa maoko vakatsinzinya. Sekuru Lee vakabata picture frame

Kwakupotsera kwaive nadaddy ichibva yasvika nekutema pfuti. Pfuti yakabva yapfura bamukuru
(Tapiwa) pagumbo.

Ndakazongonzwa kuscreamer kwa Tapiwa (baba Never). Ndakabva ndamhanya paive naDaddy
vaive varara sekuru Lee vaive vatogara padumbu pavo.

Kule Lee...Unoda kufa usina kukumbira mukadzi ruregerero uye nekuratidza vana vako rudo Nyasha
they need you.

Daddy.... Ndotarisana sei nevana vangu sekuru, kufakuri nani.

Kule Lee.... No zvawakaita izvozvi zvekutsvaga chokwadi zvandiratidza kuti unoda mhuri yako. Uye
pane zvese zvakaitika ndinovimba waisundwa nesituation, I believe Lisa will forgive you. Nyasha how
do you know kuti the game is over?. Haudiwo kuona mwana wako achichata here?.

Daddy vaingobudisa misodzi chete chete, hapana chavaitaura. Mota yemapurisa yakasvika Doc,
Mbizo na bamukuru vachibva vatorwa,

Kule Leeroy.... Ko mbuya iya iripi inofanira kuenda nevamwe.


Ndakafamba ndichienda kutoilet ndikawana murume aive aenda navo akamira akavamirira.
Nenguva yavaive vabuda musitting vaifanira kunge vapedza ndakasheedza Angel kuti atarise.
Achingovhura door akascreemer achirisiya rakashama achitiza. Ndakadongorera ndikarohwa
nehana.

Mbuya vaive vakagara pachemba vachiita kubuda ziya muviri wese apa vaive vamera mapundu,
mapundu acho aive akachena urwa akawanda ari mazihombe mamwe acho aive aputika achibuda
honye neurwa. Ndakatsinzinya maziso ndikama tsikinya tsikinya kuti ndinyatsoona.Vana sekuru
ndipo pavakasvika, vakatarisa nekutovhara mhino. Zvinhu zvacho zvaive zvave kunhuwa. Imi kubva
ndichizvarwa ndaive ndisina kumboona zvinhu zvakadero. Munhu anoita kunonzi kuora ari mupenyu
kudero. Takafonera ambulance ikauya. Mbuya vakatakurwa honye dzichiita kudonha pasi. Mbuya
vainhuwa zvisinga tsanangurike, kana pane akambodarika panenge pafira mhuka musango ndiye
anogona kuziva manhuwiro aiita mbuya. Ndakashaya kuti chaive chii apa vaive vapenyu. Ndaive
ndave kutotya chaiko.

Kule Leeroy..... Usatye muzukuru ndizvo zvinoita mishonga kana yodzokera munhu.

Takadzokera kusitting tikawana Nyasha achichema akagara nakule Leon. Baba Chris (ex daddy)
vakarara pamakumbo amai vavo naChris namai Chris naAngel vachinyararidzana. Mama vangu
vaive vakagara naCee uyo aiva nyararidza.

Padoor pakaita knock ndichibva ndanovhura paive ne musikana aive akafanana namai vangu (Lisa)
chaiko.

Ndakadziura achibva atanga kufamba achiyeredza misodzi achipinda mukati. Akasvikopiwa hug
nakule Lee vachibva vatanga kuchema vese. Mai Sandy vakasimuka vakasviko mubatawo
akangosimudza musoro achivatarisa kwakubva avasundira kure uko. Takabva taudzwa kuti vaive
mainini Shalom nekuchema kwavaiita vaisatombo taurika navo. Sekuru Leon vakabva vasimuka
vakatanga kutaura,
Kule Leon.... Ndinoona zvakanaka kuti timboparadzana tozosangana papera mazuva maviri,
ndinovimba tese tinenge tataurirana nemhuri dzedu.Lisa any decision yawaita tinokusapota
hanzvadzi kana uchiri kuda murume wako tinongokusapota handiti. Nyasha zvekuti unoda kufa
hatidi kana kuzvinzwa endai munotaurirana handiti Daniel.

I nodded, vanhu vose vakabva vasimuka vakapinda mudzimota isu takapinda ini, mom, daddy ,Bright
naCee. Munzira hapana aitaura neumwe, tasvika Daddy vakangoti,

Daddy..... Totaura mangwana ngatizororei.

Ndakasvika kuroom kwangu nekurara hope. Mangwana acho ndakaita zvekumutswa kuma 9 ndaive
ndararisa. Ndakangogeza kwakunodya kwaive nevamwe.Tapedza takaenda kusitting daddy
vakapfugama vachikumbira ruregerero,

Cee.... Ini kana mama vangokuregererai neni ndinokuregererai. Mama ndivo vamakanyanya
kutadzira.

Daddy vakatanga kukumbira ruregerero mom vakangonyarara.

Me....Daddy dai vaenda namom kana muspare mavanorara manotaurirana henyu. Mom, we will
support you zvamunenge mataura.
Vakasimuka vachibva vaenda ini ndichibva ndabata Cee ruoko tave kuenda kuroom kwake.

Me.... My new sister.

Cee..... Daniel

Takapanana hug tichibva tabuda panze tikaenda kupool tichiita nyaya. Zuva rese takaswera
tichingotaura nyaya tichiseka zvedu. Manheru ndipo patakasheedzwa nadaddy kusitting. Takawana
mama vakazembera daddy. Cee akabva amhanya akanovambundira,

Cee.... Am happy for you mama.

She nodded vainyara mom.

Daddy.... Vanangu ndafara kuti mhuri yangu ndave nayo zvekare. I promise you nhasi kuti mai venyu
havafe vakasuwa zvekare.

Takatozoenda kunorara uri mufaro bedzi bedzi.


Mazuva matatu akadarika tichingoswera pamba tichiita nyaya, ndakaona kuti mom vaive vakugara
vachifara uye vaive vakuita vachitsvukirira. Vanhu vacho vaidanana kunge mukomana nemusikana.
Angel ndaimufunga asi daddy vaindirambidza kufona hanzi inguva yekumbogadzirisa ma issues
efamily yavo muchataura henyu. Manheru ezuva rechi3 daddy vakabva vati,

Daddy..... Mangwana tiri kuenda kuparty kumba kwaPirai iparty yekupemberera kudzoka kwambuya
Nakai Pirai, vana sekuru vanenge variko saka ndichanokumbira date rekuroora ndoda kuroora mai
venyu zvekare uye toda kuzochata. Daniel uri kufungei nemuroora.

Me.... daddy ndimi muchatondi nonotsa coz ndinoda kuzoroorawo mapedza muchato wenyu.

Daddy.... Ndikaroora weekend ino next weekend tinenge tavakuchata, mochitangawo zvenyu.

Ndakafara kuziva kuti ndaive ndave kuchizogara naAngel for good. Takaenda kunorara tichibva
tazomukira kuenda kuparty. Ndakasvika vanhu vose vari muhappy mood. Angel ndakamuona ka2
achiratidza kuti aive busy.Takatanga kufara zvedu ini ndaive ndakagara panze nevarume tichigocha.
Daddy vakazosimuka vave kupinda mumba hameno chavainotora. Pasina nguva ndakanzwa mhere
tichibva taenda mumba tikawana Natasha achirohwa nadaddy

Me.... Ko aita sei?

Daddy.... Taura nyaya yako.

Natasha..... Ndangandichida kupa Angel poison kuti afe am very sorry.


Akatanga kurohwa nadaddy kusvika ave kungobuda ropa chete. Ndakazovabata ndaona kuti munhu
angatofazve. Mapurisa akauya akamutora akaenda naye party ikaenderera mberi.

Vanhu vaive vagadzirisana chokwadi mainini Shalom vaive varegerera daddy asi vainzi vakaramba
kuregerera mai vavo. Saka mbuya Mai Sandy vaive vatodzokera kumusha.Sekuru vakatora mwana
wavo aive last born yavo nambuya uye vaive vafunga kutora mukadzi wavainzi vaive vakamitisa
akazvara mwana mukomana. Sekuru Lee vaingoti ndicharoora asi nemusikana wacho vaive vasina
apa neage yavo so aitongove ma1.

Musi weparty Chris aitofara zvake kana kumboita sekuti aive ambochema mazuva mashoma aive
adarika. Angel naCee vaingove vese every time ndaidawo nguva naAngel asi Cee aingodeedzera kuti
tiri kwaambuya otanga zvake kuseka. Mai Chris nababa Chris vakandisheedza vakandipa makeys
edzimba dzangu uye vakati kwaive kusisina vanhu.Mai Never vaive vadzokera kuBulawayo
naNoman. Never vemukadzi wake vaive vaenda kuSA.

Party yakapera vanhu vachingofara. Vana sekuru vaive vapa daddy date reweekend.

Ndakazowana time tikataura naAngel takatenderana kusangana mutown zuva raizoteera.

Vanhu vakaparadzana tichibva tadzokera kumba kwedu taive tave kuchifara chaiko.Daddy vaive
munhu anongonakidza nguva dzese.
Mangwana acho ndakamukira kunoona chiponda Moyo changu. Ndakasviko mira mutown
ndichimirira Angel ndipo pakafona Joel.

Joel aive akambobuda kuenda kuBotswana kunotsvaga hanzvadzi yake mwana wamai vake waaive
anzwa kuti aive ari kuBotswana. Hanzi vachiri musikana vakaita mwana vakamusiya nababa vake
saka zvainzi aive achitambudzwa nababa vake. Sekuru hanzvadzi yamai vaJoel ndivo
vakamuperekedza nekuti ndivo vaiziva kumba kwacho. Joel aive atomboramba kuenda asi
ndakamumanikidza.

Joel.... VaPirai.

Me.... Ndave kunzi Meraa

Joel.... Meraa chii chakaitika?.

Ndakamurondedzera zvese akafara kani kuita noise pafoni.

Joel.... Chiroorai bambo.

Me....Ndiri kusangana naye kuti titaure shaa.


Takazotaura dzimwe nyaya kusvika nguva dzakasvika Angel.

Ndichingoona Angel ndakanzwa zvimwe zvinhu zvisingatsanangurike worse when we hugged after a
long time tisina kupanana rudo. Ndakatanga kufemera mudenga ropa rangu ramhanyiswa
pandakagumhanisa hana yangu neyaAngel.

Me.....Don't do this to me Angel.

Angel: What have l done hny?

Me.....Can't hold back the feelings anymore. Look down my pants ndazvimba babe wandikanganisa
and you have to pay me Angel.

Angel: How do you want me to pay you daddy?

Me.....I want the whole of you Angel like now can't wait any longer than a second.

Angel: Can't also hold the feelings for you anymore daddy, want the whole of you in me.

Me..... Let's go to Joel's surgery babe and find a place there suitable for the two of us.

Pasina nguva taive tasvika pasurgery paJoel. Ndakange ndatopihwa kare makeys naJoel saka
ndakangosvika nekukiinura office.

Daniel: Babe look straight in my eyes and tell me the sweetest news ever.

Angel: (Walking closer and embracing me) Am all yours Daniel and it's me and you here tora zvese
zvaunoda pandiri.

Within seconds, I was already planting deep kisses on Angel and she was responding to every move l
did. Chakange chonzwika kufema kwedu chete. Ndakasimudza Angie ndokumuisa patable
ndokutanga kumuvhura zip yetop yaaiva nayo. I started playing with Angie's oranges apa iye
mwanasikana otadza kuziva zvayiitika mumuviri makange mobvira mazifeelings mupengo.
l raced down my hands to the sweet valley and touched it feeling the pleasures of playing with a
clean shaved honeypot.

Angel akange ongodaidzira kuti Daniel non stop. By that time, ziso rangu raive ratsvuka sechiropa
ndakuda kunyudza gejo rangu muchikari chejemu raAngel. Ndakazongoona trouse rangu
ravakutsoka. Hapana akataura neumwe takangosticker takadaro, kana pfungwa dzakambomira
kushanda, Angel ndopaakazoti,

Angel: Daddy this is not the right place ngatimirirei honeymoon yedu.

Daniel.....Let's dress up babe and wait for our special day, am yours honey.

Ndakabva ndamunama nekiss, ndipo pakazofona Joel,

Joel.... Daniel shamwari uchiri shamwari yangu iwe Cee ari kuramba kuuya ikoko taura naye.

Me.... Why arikuramba?.

Joel..... Ndaproposer akabvuma ndave kuda kuuya ikoko timbogocha ave kuramba.

Me.... (Ndichiseka) ndatove baba shamwari plus kuno kuna ambuya moti vhiringa endai kwenyu, Cee
congrats shaa.
Cee.... Aaaa!

Angel.... Congrats babe girl.

Vakambotaura kwekanguva kadiki vachibva vazokata foni.

Takaswera tese naAngie tikazoparadzana manheru taive tatenderana kuenda kuna mbuya vake
nekwana sekuru kuma introductions pamazuva aizoteera.

Mazuva akafamba daddy vakaroora vakatochata namom zvinhu zvaive zvanaka mom vaigara
vachifara.

Day rekuroora kwangu rakasvika tikanoroora zvakasiya mbiri kumba kwana Angel.Takabva tapiwa
date remuchato remuchato. Daddy vakabva vaorganiser kuti Shalom amboenda kuChina naAngel
ndakarwadziwa asi ndaisave nechoice.

Mazuva akafamba tikanzwa kuti Mbuya Sekai Pirai vakabudiswa muchipatara zvichinzi vaende
vanoporera kumba. Baba Chris vakangovatora vakavaendesa kumusha vachibva vanovasiya pamba
patete Tatenda, tete vakangovatora vakanovasiya kumusha vachiti vakuenda kurufu kumusha
kwavo. Munhuwi waibuda pana mbuya chero chidembo chakafa chaisasvika ipapo. Pakapera 2
weeks tisina kunzwa nezvavo. Baba Chris vachibva vazofonerwa nasabhuku achiti pamba pambuya
hapachaiti nekunhuwa, hanzi vakaendapo zuva raive radarika vakawana mbuya vachiri vapenyu.
Hanzi mbuya vakangoti vaida kuona Daniel, Chris naNakai. Daddy vakabva vati tiende. Takaenda
nemhuri yaBaba Chris yese. Tichisvika muraini takaona vanhu vakaungana tikafunga kuti pamwe
vafa. Mota yakamiswa nevanhu vaya sabhuku vakauya pamota,
Sabhuku..... Iwe Tawanda torai mai venyu muende navo handidi kuvaona muno muraini. Kwese
kuzasi kwenyu uko vanhu vakasiya dzimba nekuda kwemunhuwi vabudisei muno nhasi chaiye
mukarega ndodeedza mapurisa.

Vanhu.....ngatifanoisa matombo munzira kana vasina mbuya vavo havadariki apa.

Vanhu vaipenga vachiita noise. Takafamba zvishoma tichidzira kuenda pamba pambuya. Tave
kusvika takatanga kunzwa munhuwi wechinhu chakafa. Kufamba kwataiita tichiswedera
zvaiwedzera. Takasvika tikamisa mota pachivanze munhu wese aive avhara mhino nemuromo baba
Chris ndivo vakatanga kufamba vachienda kudoor reimba yaive nambuya takateera tese tichibva
tavhura door. Mweya wakabudamo kubva ndichizvarwa handina kumboudzwa wainhuwa zvinotyisa
kana wemu mortuary yave nevhiki mbiri isina magetsi handifungi kuti inosvika ipapo.Tete Tatenda
vakabva vasvikawo vachiita zvekusundwa nevanhu veraini vaive vaenda kunovatora kumaraini
kwavo. Takapinda muroom maive nambuya, vaive vakaita kuvharwa nehonye dzimwe dzatove pass.
Muromo maoko makumbo hapana paive pasina honye dzaiita kutakanyika.

Mbuya..... Nakai ndineurombo nezvandakaita baba Tapiwa vasati vafa ndakanouraya Mai vako.
Chris naDaniel ndiregerereiwo vazukuru ndichizorora.

Me & Chris.... Takuregererai mbuya.

Mbuya.... Nakai ndatambura ini ndiregererewo Nakai.

Chris.... Ndakuregerera Sekai.


Mbuya Never vakabva vatogwina nekufa ipapo. Munhuwi uya wakabva wanyangarika. Chakaita
chishamiso kuvanhu vaivepo. Takafonera vamwe vazukuru vambuya vakati vaisauya Chero zvodii
saka mbuya vakangozo chengetwa zuva raiteera racho tichibva tadzokera Harare.

Musi we court yanabamukuru wakasvika tichibva taendawo kunonzwa. Samuel (family doc) vakanzi
life in jail. Bamukuru vaive vagurwa gumbo nekuda kwekupfurwa kwavaive vaitwa. Bamukuru
vakapiwa 35 years mujeri, Natasha 6 years. Mbizo aive apiwa 5yrs daddy vakamubhadharira bail
akabuda nekuti vaiti zvese zvaaiita aisaziva akangofananawo neni kana kuti ini nditori worse.

Mazuva akafamba zuva remuchato rikasvika, ndaive ndasuwa Angel saka ndaingononokerwa
nezvinhu zvese, takaita zvakadadisa. Angel was looking more than beautiful muchato wedu
wakabuda paTV nemuma news paper. Zvipo zvatakawana handingazvipedze asi ndingangoti
zvihombe aive mastands 6 nedzimba 2.

Muchato wakapera uri mufaro bedzi bedzi. Taive tanzi toenda kuhoney moon kuParis saka
takangobva pamuchato tave kunochinja nekuenda kuAirport. Munzira kuenda Angel aive akarara.
Takasvika mangwana acho tichibva tananga kuhotel kwedu ndichibva ndasiya Angel ndave
kunonora parcel yandaive ndanzi ndadaddy ndisvike ndichitora. Ndakadzokera kuroom kwedu
ndikasvika Angel akashama anenge aive achangobva kunogeza ndakaita kunzwa mazifeelings
akawandisa.

Ndakaswedera paive naAngel ndichinyatso mucherechedza. Takaita zvisinga taurike musi iwoyo.
Ndiwo musi wandakatora umhandara hwaAngel akave mukadzi wangu.
*After 11 months*

Yolanda akazongo dzingwa pamba pamai Chris. Vakasara vachigara vari 4 mbuya,Chris Mai nababa
vake pamwe chete nevashandi vavo.

Joel aive aroora Cee mwedzi mina yaive yadarika vavekugara vese kuWaterfalls.

Chris aive apindwa nebusiness mari ichimubvuma asi aiveasati awana musikana wekuroora.

Kule Leeroy vakazotora mukadzi wavaive vaita naye mwana mukomana vainzi Mai Sean.

Mom nadaddy vakaenda kunogara kuUK.Taingo shanyirana uye rudo rwaive rwakura pakati pavo.

Angel aive andiitira mwana mukomana as our first born wandakapa zita rekuti Kunashe. Marriage
kana une munhu waunoda inonakidza kudarika zvinhu zvose zvinganakidze.

She was now mine and takange toita yese yese rudo rwuchipfuta everyday. We always thank God for
blessing us and we were just a lovely couple admired by many.
The End (2020)

*THANK YOU*

*Yeukai Mutingwende*

�Love you all�

You might also like