You are on page 1of 50

MWANA WENGOMWA [SEASON TWO]

________________________

REGAI KUPOMERANA MHOSVA MUMBA KANA MBEREKO YARAMBA,


VANA ZVIPO ZVINOBVA KUNA MWARI KWETE KUMBEU YABABA KANA
KUMAZAI AMAI. DZIMWE NGUVA MWARI VANOZVIITIRA MAUNE KUTI
MWANA ANONOKE KUUYA KUMBA KWENYU, RAMBIRAI PAKUVIMBANA
UYE MUSATSVAGA NZIRA DZOKUBATSIRA MWARI NADZO.

_________________________________________

ANOCHEKA NEBANGA RAKAGOMARA ANOSHANDISA SIMBA RAKAWANDA, ASI


MUNHU AKACHENJERA ANORODZA BANGA – Malvin Brown

OTHER BOOKS BY MALVIN BROWN

Vakasangana paFacebook, Urikuvarairwa, Munyaradzi, Mwari Havarari, Zvirinani


Ndife, Vanga rehumhandara hwangu, Maximum Desperation e.t.c

ENJOY YOUR READING


MWANA WE NGOMWA (CHAPTER ONE)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

malvinbrown486@gmail.com

+27 74 707 1772

Kusatenda huroyi veduwee asi Naison aive nerudo, ndakazvidemba nenguva


yandakapedza ndiina Manyoni uyo aindibata nokuseri kweruoko. Dai ndakaziva
haitungamiri zvayo uye ndinotenda Mwari nezvose zvandakadzidza muwanano
yangu naManyoni, nhasi ndave nechekuudza madzimai eAfrica uye ndiri mukadzi
anekwaakabva nehupenyu. Kana ndikazowana mukana wokutaura kumadzimai
pamusoro pewanano chokwadi ndinowanawo vaviri kana vatatu vanobatsirika.
Madzimai munofanira kuve nemoyo nemhuri dzenyu, kana wanano dzenyu
dzikaputsika ngazvidaro hazvo asi Murume wako ngaarege kuve
nechaanokupomera. Dzimwe nguva unopihwa mhosva isiri yako asi nyarara, usave
munhu wemashoko mazhinji kana uchida kuvaka imba yako, dzidza kuzvininipisa
kunyangwe murume wako riribenzi hapana anoziva kwamuchasvika. Kufarisa farisai
zvenyu asikana asi zvinoitika muwanano yenyu regai kuzvitaura kuvanhu chero
pama WhatsApp chaipo, misha inoparara muchitandara uye dzimba dzinoputsika
makavarairwa, munhu wemukadzi gonawo kukumbira ruregerero kana
wakanganisa. Zivai kuti kukumbira ruregerero hakusiko kunoita kuti muregererwe
asi kuziva kunguva yokukumbira ruregerero pamwe chete namakumbiriro acho
eruregerero, usamirire kuti murume atange apopota kuti uzokumbira ruregerero,
zvirinani uti ndine hurombo murume wangu kunyangwe usiri kunzwisisa mhosva
yako ozogadzirisa nyaya yako naye mumwe musi mmese muchifara. Bvuma kunzi
wakapusa woratidza huchenjeri hwako namabasa, ukawana murume anokutsiura
asati akupopotera tenda Mwari asi pamusoro pazvose hakuna mukadzi anotyisa uye
anesimba kudarika mukadzi anonamata achiverenga soko raMwari.

Dzimba hadzivakwi nerudo, dzinovakwa nouchenjeri kana rudo rukavepo imba


inomira. Michato inodimburwa kana vanhu vakawanana nezvikonzero zvisirizvo,
kana musina maonero akafanana ekwamuri kuenda chero mari nerudo zviripo imba
yenyu haimiri. Bonde ngarive chikafu muwanano yenyu, usafe wakaranga murume
wako nokumunyima bonde, kana usingazodi kupa murume wako bonde nguva
dzose zvisinei kuti wakatsamwa here kana kuti unofara gara warega kuroorwa
naye, kana usina kugadzirira kuda munhu usatarisira kudiwa naye. Moyo wemunhu
unonyoroveswa nemunamato, mukadzi wese ane moyo wakaoma arimuwanano
ndinokupikirai kuti haangapindi muguva asina kumbokwetsura mhere kana
kusvimha misodzi yekushungurudzwa. Anocheka nebanga rakagomara anoshandisa
simba rakawanda asi mukadzi akachenjera anorodza banga.

Ndaive ndisingazivi kuti pane nguva yokuti rudo rwunosekenyedza asi Naison
akandiratidza kudaro, ndaitadza kurara kana kuswera ndichifunga kuti mudiwa
wangu ndingamufadza neyi nhasi. Rudo rwedu rwaive namakwikwi ekufadzana,
ungazodeyi zve mutsvitsa. Kunyangwe ndaive ndadamburisa muchato na Manyoni
hatina kukurumidza kunonyoresa muchato mutsva na Naison, dangwe redu Nyasha
aive mukomana akanyarara sababa vake. Kubva arimudiki aingooneka kuti haana
basa nezvakawanda, semwana akanonoka kuuya mudumbu rangu ndaive
ndakagadzirira kumupa zvose zvaaida asi Nyasha aive asingakumbiri chinhu. Aidya
zvaapihwa asingarase meso kana kuzviiona neziso remupfumi, ndaitonetseka
kuziva kuti arikufara here kana kuti akatsamwa nokuti moyo wake waive kune
vamwe. Ukamupa mari achienda kuchikoro aidzoka kumba masikati achifa nenzara
atengera vamwe vana chikafu nemari yake, rimwe gore takazongoona tauya
kuzotendwa navamwe baba na amai veumwe mwana waaidzidza naye kuti mwana
wenyu akabhadharira mwana wedu mari yechikoro pa mari yataimupa kuti atenge
chikafu. Ndichimubvunza akanditi, “mukomana iyeye ndiye anopedzisira
kubhadhara mari yechikoro uye anozobhadhara atoneta nokudzingwa”. Izvi
zvakandininipisa kwazvo ndikachema mumoyo mangu kuti dzimwe nguva tinoita
madanha paasingadiwi tichisiya mikana yenyasha ichitidarika takavarairwa. Dai
akazviita ari ku secondary taiti bva takayarutsa jaha rinetsiye nyoro zvino grade
four? Taive tisina chatakaita sevabereki vake kuti ave nemoyo wakadaro, wake
waingove wekuzvarwa nawo chiri chipo chakewo asi chaive chikomborero kwatiri.
Kubva zvandatanga kugara naNaison handina kuzombotsvaga zvehupenyu
hwaOverseer kuti vairarama sei, ndaizongonzwawo pano ne apo kuti vaenda kunze
kwenyika. Vaive vongogara vari mundenge nokuda kwebasa ravo rehufundisi iri
uyuwo Manyoni taigara mumusha mumwe chete asi aive nomoyo wakasviba
pamusoro pangu uye akatadza kuzviregerera nokunditonga kwaakaita. Akabva ave
chidhakwa chaicho munhu aimbonamata Mwari zvinooneka uye zvinoyemurika,
kupanduka kwake kwakave mufananidzo kuvanhu kuti hakuna mutsvene pasi pano,
ndakadzidza pahupenyu hwake kuti chiKristu hachierwi nemaendero emunhu
kusvondo kana maparidziro ake esoko raMwari, zvinhu zviviri zvinotsaura maKristu
nevatendiwo zvavo ndezvinoti “kukunda miedzo yakaoma” pamwe chete nokugona
“kuramba urimuKristu kana nhamo nematambudziko zvakusvikira sedungamunhu”.

Kusvondo kutsva kwataive tavekuenda naNaison kwaikomborera kwazvo asi yaive


yakangoitawo svondo yechirungu, zvichida yaingove nyaya yokuti ndaive ndave
munhu mutsva ndosaka kwaindikomborera kudaro? Nokuti kwandaienda naManyoni
kwaive kwakanakisa asi ndaidzorwa manamatiro angu nehungomwa hwandaive
ndapihwa ini ndisina zvangu. Ndanga ndave nehupenyu hutsva veduwee
kushingairira chaiko kuve mai ndiko kwandaive ndoita, hapana chinhu chandaida
kuti chipinde pakati pangu naNaison zvachose. Kana uchida kuona chinhu
chinotyisa kudarika kunongedzwa nepfuti inemabara enda unobata murume
wemukadzi akambopomerwa hungomwa.

Mai Museto vaive Tete vangu vaindida nokuti vaiziva kushanda nesimba kwangu
kunyangwe ndaive mukuru zvishoma kuhanzvadzi yavo Naison asi ndaive
chikomborero kumhuri yavo ko zvemakore zvinozivei? Sezvamunoziva kuti hakuna
nzira isina gata, vamwe Tete vangu vaiteedzana naNaison pakuzvarwa pavakanzwa
zvokuti Naison akaroora mukadzi aive akambowanikwa, havana kumirira kundiona
kuti vataure pfungwa yavo vakabva vatungamidza mashoko eruvengo mberi vari
kuAustralia kwavaigara ikoko. Handina kana kumboita hanya nazvo nokuti
zvokuninipiswa izvi taive tabva neko kumhunga kusina ipwa ndakangoziva kuti
vaingotyisidzirawo samakore asina mvura anongosviba mudenga ozonyangarika.
Ndaive ndisina kugadzirira kurwa nemunhu nokuti ndaive ndawana chombo chitsva
chehondo dzangu, ndaishandisa pfuti inonzi “kunyarara” nemunondo unonzi
“munamato” nokuti kunyangwe ukataura sei nokuzhurukuzha sei hazvibatsiri kana
usina Mwari, bhuku inoti, “kana Mwari asingavaki imba, vavaki vayo vanovakira
pasina”.

Naison naNyasha neni taive nenguva dzedu dzekumbonofurwa nemhepo zvedu


semhuri, ini ndaitoda kuzvara vana vakawanda asi Naison aida zvinhu
zvekudzikama saka ndaitoteerera. Aidai vana vanemusiyano muhombe pakati pavo
pamakore ekuzvarwa. Rimwe zuva taive takagara zvedu mumba medu mokurara
tichitaura nyaya yokusangana kwatakaita, nokuyeuchidzana nhoroondo uye izvi
zvaitibatanidza nokutiita munhu mumwe nguva dzose.

Naison: Ndeipi Mai Manyoni? Kkkkkk (akadaro achitondibaya nechigunwe muchiuno


ndichibva ndavhunduka)

Ini: Arrgh, zviri kubva kupi izvozvo? Mai Manyoni ndiani?

Naison: Haihwawo tidzikamirei apo kkkkk

Ini: Usandijairire shaa handisi Mai Manyoni ini, ndine murume mumwe chete.

Naison: Asi ndiudze, wakambondidirei mudiwa? Nokuti pandakasangana newe


hongu waiyevedza asi waive wakavenga varume zvekuti huyai muone kkkkkk

Ini: Kwaive kurwadziwa shaa asi rudo rwangarwusina kugwamba mandiri, kungoti
kana waitwa zvausina kutarisira dzimwe nguva pfungwa dzinotama mumusoro asi
unenge uchinazvo zvekufunga. Chandakakudira neni handisati ndachiziva asi
ndaigokuramba sei iwe wakandisvikira panguva chaiyo chaiyo? Kkkkkkkkk
murondatsimba putseki (ndichimutema nechitsamhiro)

Naison: (Akangotarisa ndokuita kakufinyama kaya kanoitwa murudo)

Ini: Manga matii bambo we mwana? Asi mira, ko iwe wakandidirei? Taura
chokwadi…..

Naison: Ndakakudira kugona kufamba, une ka step kanonwiswa mvura kana


wakapfeka magogi unotsika seunoteta. Ndiani asingadi mukadzi akadaro? Kkkkkkkk

Ini: Arrrgh tsek, ungadira munhu step? Hure!


Naison: Murume haanzi hure, damn it.

Ini: Whatever!!!!

Naison: Asi chokwadi, zvemasuwa-shuwa ndakakudira hunhu hwako zvako,


ndakada zviri mukati mako urimunhu ane hunhu husingarambiki. Chero dai waive
ngomwa zveshuwa ini ndaikuroora zvakadaro, pamwe ndaizohurawo zvangu asi
kwete zvekukusiya kkkkkk (Akataura mashoko okupedzisira aya achizoseka
akabata kumeso seanonyara)

Ini: Inzwa zvaurikutaura ende hauna kana nyadzi (ndakabva ndamudhonzera


kwandiri)

Pese pataitaura ndaitoshingirira zvangu asi ndaitomuchiva kunge asiri murume


wangu, ndakangomudhonza kuti ndimutsvode ndobva tatanga kutamba chikudo
chevanhu vakuru zvedu.

[END OF CHAPTER ONE]

(Mwari vakukomborerei, musaneta kuita zvakanaka)


MWANA WE NGOMWA (CHAPTER TWO)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

malvinbrown486@gmail.com

+27 74 707 1772

Manyoni akazorega zvokunwa doro ndokutanga zve kurarama semunhu akakwana,


hupenyu hwekurarama uchitadzira Mwari nomuviri wako hunorwadza kusvika
pamwongo urimumapfupa. Ukasangana namatambudziko urimuna Mwari
unoshingirira nokuti iye Mwari amene anomira newe semwana wake. Kunyangwe
aishanda basa raimupa mari asi zvaange aari zvacho zvainzwisa tsitsi, chokwadi
doro haridi kutanga watokura. Nhamba yake chaiyo mufoni mangu yaive isisimo,
ndakazoshamiswa avekundifonera ndikaziva kuti ndiye pandakaona nhamba
ichipera na 760:

Ini: Hello!

Manyoni: Hello, ndeipi?

Ini: Ndinofara makadii zvenyu?

Manyoni: Ndinofara zvangu, ko hindava kurova kudaro?

Ini: Ndingakubatsirai sei?

Manyoni: Asi wakabva wandivenga zvokusemeswa nenzwi rangu kani? Zvisinei


yakadii mhuri yako?

Ini: Tiri munyasha dzaMwari, yakadiiwo yenyu mhuri?

Manyoni: Tisu tichabvunzwa mhuri here isu, angove matadya kare wena.

Ini: Ndizvo zvazvinoita muhupenyu, saka mati ndingakubatsirai neyi nhasi?

Manyoni: Ndaida zvangu kunzwa kuti makadiiko nechisuwo chavepowo, uye


ndaidawo hangu kuzonyatsokuona ndizokumbira ruregerero rwezvinhu zvese
zvakaitika makore mashoma apfuura, takagara pasi. Ndinoziva kuti ndakakanganisa
uye handichagona kugadzirisa asi ndichine moyo.

Ini: Musazvinetsa zvenyu ndakatokuregererai kare, sunungukai mupfuurire mberi


nehupenyu hwenyu uye ndinovimba kuti pandakakuregererai na Mwariwo
vakakuregererai saka ndinovimba kuti muri munhu asina mhosva pamweri pangu
naMwari.

Manyoni: Wakaita hako nokundiregerera, asi handifungi kuti kana ndichida


kukumbira ruregerero zvingatitadzisa kusangana. Handizotori hangu nguva yenyu
yaka………

Ndakabva ndanzwa kuvhurwa kwemusuwo wemu bedroom mandaive (aive Naison


aive asvika). Mazuva ose aitanga kusheedzera arikuimba yokubikira kuti “Am
home” zuva iri hameno kuti akauya chinyararire sei, zvichida aidaidzira
ndisingamunzwe sezvo ndaive pafoni? Hameno!

Naison: Sweetie, ‘am hoommeee!!

Ndakangotendeuka ndiri pa runhare kudaro, Manyoni aive achirikutaura asi ndaive


ndisisateerere nokuti hana yangu yakarova zvekuti ndaitodedera zvinooneka
sekunonzi ndapara mhosva.

Naison: Oh sorry, uripafoni? (Akadaro nekazeve-zeve achitoisa bhegi rake rekubasa


pakatafura ndokubva abuda)

Manyoni: Hello……, Hello……., Hello!!!!

Ndakabva ndadimbura runhare rwake, ndavekuda kuedza kuona kuti Naison


ndomuitasei kana adzoka uye kuti afungei paandiona ndichiratidza kupererwa.

Akazopinda achiridza kamuridzo sepasina zvaaona ndobva auya kuzondimbundira,


hana yangu yaive ichiri kurova. Akandimbundira kudaro achindipuruzira akabva
andibvunza:

Naison: Ndiani angaafona mudiwa?


Ini: (Ndaambonyarara ndokuzoti) aarrgh zvema bhizimusi izvi unofonerwa navanhu
vausingazivi nguva dzese wena.

Naison: Zvakanaka mudiwa, zvinoratidza kuti urikushanda hazvifanani nekuswera


usina ambokutsvagawo.

Ini: Yaah, rangaririsei zuva rako?

Naison: Kungodaro wena, aswera sei mudiwa wangu pano ne mwana?

Ini: Ndingawanikwa neyi zvangu, kana iye Nyasha achabvunzwa here? Nyasha
dzakatiringana pano.

Ndaingonamata kuti dai Manyoni akasafonazve, handina kuziva kuti Naison aive
atonyumwa kare asi haana kuda kuzviratidza kuti pane zvaarikufungidzira. Dzimwe
nguvawo ukaroorwa nemurume akadzidza unoda kuve munhu anotaura chokwadi
nguva dzese nokuti ukaita zvinhu zvekunyepa - nyepa unopedzisira warasikirwa
nerutendo iwe usina kana munhu wawadanana naye zvako. Naison aive nemoyo
murefu, aishanda nemasvomho kubasa kwake saka aisakanganwa chinhu chinonzi
number zvirinyore, kunyangwe aive nemakore asina kumboona number yaManyoni
asi kana akaiona aitoiziva neni handizive kuti zvinoitika sei izvozvo.
Pandakamunyepera ndaida kuedza kuchengetedza rudo rwedu asi ndaisafanira
kudaro.

Ndakasiya achibvisa mbatya dzake ndichinomutorera drink mupfimbichando


yemumba yokubikira, Naison akasara ndobva atora nharembozha yangu ndokuenda
kunotsvaga kuti ndaive ndapedzisira kutaura naani. Akaona dziri number
dzaManyoni uye taive tataura tese kwenguva ingangosvika zvimaminitsi zvishanu
nezvinoraudzira, ndichidzoka ndakaona akabata nhare yangu muruoko. Drink
randaive naro mu glass rakabva raperera mu tray yandaive ndakabata,
ndakangovhunduka rikarasika asi tray haina kudonha. Naison akabva azviona kuti
ndirikudedera ndobva asiya foni pasi achiuya pandaive ndiri.

Naison: Hey, chii babe are you ok? (Achindibatora tray muruoko rwangu)

Ini: (Ndakaramba ndakanyarara)


Naison: Rega ndibvise drink iri (achibuda ne tray kuenda kumba yokubikira)

Ini: Aiwa, ndipei ndigadzirise (I felt useless)

Naison: Usazvinetsa mudiwa, gara pasi ndikubatsire (ndobva atobuda ne tray)

Chiso chake chaive chisina kana hasha, airatidza mufaro senguva dzose zvakabva
zvandikanganisa kuti asi haana chaaona? Kana pasina saka foni yangu anoidii
nokuti Naison haabati phone yangu chero zvidini, sei kuzotanga kuibata nhasi? Asi
chero akaibata, mufoni mangu number dzaManyoni hadzina zita angaziva sei kuti
ndataura naani? Kana akandibvunza handisikuzoshandura zvandambotaura
pakutanga ndicharamba ndichimuti handimuzive munhu afona iyeye. Foni yangu
yaive yasiiwa pasi asi ndakatadza kuibata, yaive yototyisa kunge isiri yangu.
Akabva adzoka ne drink rake mumaoko ndokutanga kutaura dzimwe nyaya
dzakasiyana nezvandaive ndafunga ini, kupindura kwaindinetsa nokuti rusununguko
rwangu rwaive rwuchiri rwakasungwa. Ndakanzwa mukati mangu kuti ndiri zidofo
remukanzi, kunzwa kunge ndarara neumwe murume chaiko aaah nhema dzakaipa
chokwadi. Ndaive ndakangomirira kuti ichabvunzwa riiniko nyaya yacho asi
akaramba achitoseka nokutaura dzimwe nyaya uku achinwa drink rake. Kuti
ndireurure ndega zvandiremerazve, ndikati regai ndimirire izotongwa yave mhosva.
Ndakazotora phone yangu ndikatanga kungobaya – baya ndobva ndaenda ndichida
kunodzoma call history pa foni wanikwe number dzaManyoni dzave nezita rakanzi
Mr. Manyoni.

Zvakabva zvatondiratidza kuti ndanyangira yaona, Naison aive akanakira kuti aive
munhu anotonga mhosva nehuchenjeri asi kumwe kuchenjera kwake kwaibaya
pamoyo. Aikuisa panzvimbo yekuti haubudi kana achida zvake. Ndakabva
ndatoratidza kupererwa pandakazviona, nyamba chaakaisira zita pa number
dzaManyoni chaive chokuti aida kuona kuti ndinotora nguva yakareba sei ndisati
ndazviona, apa ndozvandakatanga kuona ndichingobata foni zvichibva zvaita
sokunge ndinogara ndichitaura naManyoni. Akazobvunza achinyemwerera zvake:

Naison: Pane chinhu chitsva here chawamboona mufoni mako bby?

Ini: (Ndakatoona kuti kutaura chokwadi kuri nani nokuti zvichazondishatira) Hongu.
Naison: Chingave chii?

Ini: Number dzaManyoni?

Naison: Ndiye here munhu mumwe chete wawamboti afonera zvebusiness uya
wawati haumuzivi kana kuti pane mumwe?

Ini: (Ndakaramba ndakanyarara)

Naison: Ndiye here munhu mumwe chete wawamboti afonera zvebusiness uye
haumuzivi kana kuti pane mumwe? (akadzokorora)

Ini: Ehe

Naison: Uchirevei manje kuti ehe?

Ini: Dady, ndakunyeperai. Ndaive ndisingadi kuti muzive kuti ndambotaura naye
nokuti zvaizokukanganisayi. Angofona kekutanga nhasi achiti anoda kukumbira
ruregerero nokuda kwezvakaitika, saka ndazongomu cutter pamasvika nokuti
ndaive ndisingadi kuti mutadze kuvimba neni pazvinhu zvakadai. Ndiregerereiwo
ndakanganisa ipapo, ndapota nangu.

Naison: Saka zvawamu cutter muchataurazve riini?

Ini: Umm ini handina chokutaura naye uye handizive kuti achafona here kana kuti
kwete asi ndinogona kublocker zvangu number yake mufoni mangu.

Naison: Ndirikudzoka Ok? (achibva abuda)

Ini: Murikuenda kupi?

Naison: Handisi kuenda kure bby

[END OF CHAPTER TWO]

(Mwari vakukomborerei, musaneta kuita zvakanaka)


MWANA WE NGOMWA (CHAPTER THREE)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

malvinbrown486@gmail.com

+27 74 707 1772

Ndaive ndave kutya nokuti Naison haana kukurumidza kudzoka, akauya ndanzwa
nokumumirira uye mwana aive atorara. Ndaive ndakatarisira kuti achapopota asi
haana zvaakataura, haana kana kubvunza nyaya yacho ukuwo ini ndaive ndisina
kuziva kuti aive aenda kupi ukuwo Manyoni haana kuzofona. Zvaive nani dai
Manyoni akasara achifona Naison asipo zvichida ndaizoisa Manyoni paanokodzera
ndaizomuudziridza kuti asiyane neni asi apa ndakatadza kana ku blocker number
yake chaiko nokuti pandakataura nayaya yacho Naison haana chaakapindura.
Kubuda kwaakaita asina kuoneka kuti arikuendepi kwakandipa kufunga
kwakawanda mandiri.

Nyasha akatonditi ndimubatsire basa rake rekuchikoro asi pfungwa dzangu dzaisave
panzvimbo, ndakatomutuka kuti siyana neni. Semunhu zvake asina basa
nezvakawanda akangobuda chinyararire, ndakasara ndichizvitukawo kuti
ndatukireyi mwana asi panguva yandakada kuti ndiende kunomubatsira aive
atopedza kare.

Naison akadzoka achifara senguva dzose, izvi zvaiita kuti nditye uye pose
paaindisheedza ndaiita zvokuvhundukira nokufemereka ndichidaira semunhu
aingofunga kuti ane mhosva. Ndakazoti handingavati hope tiinenyaya isina kupera,
kunyarara kwake kwaindityisa, zvikuru sei paakaratidza kuti haasi kuzotaura
nezvenyaya iyoyo.

Ini: Ko pamabuda manga maendakupi, zvamazononoka kudzoka?

Naison: Ndangandiri muno muZimbabwe, pane dambudziko here?

Ini: Babe, wabuda tiine nyaya isina kupera, tingataure nezvayo here?
Naison: Ndakateerera..!

Ini: Aiwa, mudiwa ndatipedze nyaya yacho tese.

Naison: Taura nyaya yako Mai Nyasha, ndiwe waipinza mudariro. Udaro
nokukurumidza ndine basa rakawanda mangwana, ndinoda kuzorora.

Ini: ummmm, ukadaro wave kundityisa asi zvisineyi ndichangotaura hangu.

Naison: Zvakanaka, ndakateerera

Ini: (Ndakashaya pokutangira kana kutaura kwacho, chiso chake kekutanga kubva
zvandakamuziva chakatadza kundinyemwerera ndichishama muromo kutaura naye,
ndakaomerwa nehupenyu munguva duku – duku)

Ndine hurombo kuti ndakunyepera pawapinda mumba, wandanga ndinaye panhare


ndiManyoni, ndanga ndisingadi kuti uzive kwete nokuti ndaida kukuvigira zvinhu asi
ndaisada kuti ufunge zvisipo mudiwa. Ndaingoda kuti ndipedze hondo yacho ndega
ndisingakupi kufunganya kwakawanda, ndine hurombo Baba Nyasha.

Naison: Saka wabudurira here pazano rako?

Ini: Handina (ndiregererewo ndakunyepera)

Naison: Zvirikwauri!

Ini: Chirikwandiri chii Dady?

Naison: Kurarama nenhema kana kutaura chokwadi muhupenyu hwako.

Ini: Babe, ndinofunga kuti wave kuendesa nyaya iyi kure, nditenderewo
nditsanangure kani.

Naison: Usandiudza kuti ndave kuendesa nyaya kure Mai Nyasha, kure haukuzive
saka usambotaura muromo iwoyo wanzwa? Unozvigona sei iwe, kuti unonyepera
murume waugere naye pamusoro pemurume wawakarambana naye? Unotora
mukana wokunyarara kwangu kuti zvichida kupusa nhai? Vanhu kadzi sei musingadi
kudiwa? Nokuti ukatadza ndinokuregerera zvisina nharo wavekutoita madiro
nehupenyu hwangu, uchingoti benzi rangu Naison harina basa nazvo
rinongondiregerera? Kana uchida Manyoni enda wena usafunga kuti
ndinokurambidza ini handisi munhu wehondo, ita sokuda kwako mutongi ndiMwari.
Munhukadzi unoda kuvewo neziso rinoona mukati kuti unatse nzira dzako usati
wapamumwe mutadzi mhosva, unoda kugona kuve nemanzwi ekuzvitukawo nawo
kuti zvino ndirikuitei.

Ini: Ndakabva ndatanga kuchema, ndaiziva kuti ndakanganisa uye yaisava mhosva
yaManyoni asi yangu nokuti ndini ndakanyepa, zvino murume wangu wandinoda
kudarika zvese panyika avekurasikirwa nekutenda kwake mandiri. Kana zvikaitika
kuti Naison avekusanditenda bva pangu papera. Ndichichema kudaro haana
kumbondinzwira tsitsi asi akaenderera mberi achiti:

Naison: Rega ndikuudze chimwe chinhu Mai Nyasha, hakuna murume musvinu
anoroora munhu nokuda kwemagaro kana zvinozorwa kumeso nemuviri. Wanano
zhinji dzaputsika nokuda kweruchiva rwuri muvanhu nhasi, kana tichitsvaga
vakadzi isu vanhurume tinotsvaga hunhu nemoyo wake usingaonekwi. Ani naani
anodakufara muwanano ngaazore hunhu kwete ponzi, ngaachengete moyo kwete
magaro nokuti zvinoonekwa izvi zvinopera ufunge. Zvino imi kana mave nemiromo
mistuku, maziso e green nekumeso kushava munobva mafunga kuti makunda
nyika, hupenyu haunzwaro mwachewe. Kana vanhu vakanaka kunze uko vasina
mufaro muwanano dzavo nokuda kwehunhu. Ukaona varume vachikumhanyira
nokuti wakanaka votokupfimba ivo vasina kumbonzwa zvinobuda mauri uzive kuti
hapana rudo asi ruchiva chete. Mukadzi chaiye anoremekedzwa haasvikike nyore
kunyangwe zvodini, ukaona munhu wese achingokunyenga kana kutsvaga nezvako
ziva kuti une dambudziko rehunhu. Kana iri nyaya yaManyoni ini handina chekuita
newe pamusoro payo, wave munhu mukuru ufunge ita sokuda kwako nguva dzose,
ukafunga kupfuurira mberi uchinyepa kana kutaura chokwadi sarudzo ndeyako.

Ndakaramba ndichichema nokuti zvinhu zvose zvakataurwa naNaison zvaive zvinhu


zvaifanira kutaurwa kumukadzi anenge ahura kana kuti mukadzi mudiki kwete ini.
Ndaive ndisina chihure chandakaita asi ndaive ne mhosva hangu kunyangwe yaive
isina kukura sezvayakazoita. Husiku uhu handina kuvata Naison akandirwadzisa,
akandiratidza rimwe divi rehasha dzake raindaive ndisina kumbobvira ndaona
kubva zvandakadanana naye. Akamuka akaenda kubasa ini ndaifanira kuenda
kumusangano wezuva rimwe chete wemabizimusi asi ndakatotadza nokuti ndaive
ndakadumbirwa zvakanyanya.

Ndaive ndasara ndega pamba, ndikagara zvangu pasi ndichiona chivhitivhiti,


ndainzwa kuti mweya wangu unoda kukurudzirwa nokuti ndaive ndakanganisika
nezvakaitika husiku hwapfuura saka ndaitoda machaneri evaya vanoita zveshoko
raMwari. Pandakati ndinobatidza imwe yakanzi FVL Gospel Gala ndakambofunga
kuti pfungwa dzangu dzarasika ndichiona vari Overseer vaiparidzapo.
Ndakanyatsowedzera ruzha ndikanzwa kuti inzwi ravo ndiro chairo, zita ravo
ndokuzobudiswa ndikaziva kuti ndivo. Ndakanyatsoteerera vachitaura uye
zvavaitaura zvaive nemusoro, vaive vatove mumwe munhu chaiye kubva
zvandapedzisira kuvaona. Vaive vatosimba mufunge, kana ganda ravo rairatidza
kuti haiwa vagere, ndakatozofunga kuti zvichida vaionzwa nekukadzi.

Vaiparidza vachiita sevanopa chapupu nokuda kwezvinhu zvavakapinda mazviri


muwanano yavo. Kunyagwe ndakatangira pakati kuona mharidzo yavo asi
yaidzidzisa, ndakanzwa vachitaura nezvangu asi havana kutaura zita. Izvo zvinoda
mazita here kana uchiziva nyaya yacho?

Vaitaura vachiti, “Kudanwa naMwari nokuita muparidzi weshoko raMwari akanaka


zvinhu zviviri zvakasiyana. Mwari anogona kukudana asi ibasa rako kuti unatse
nzira dzako iwe sedungamhunhu, mufundisi kana munhu waMwari akatadzira Mwari
zvinoonekwa nenyika yose hazvirevi kuti Mwari haana nyasha, asi chingave
chidzidza chekuti tose tigare munyasha dzaMwari nguva dzose nokuti Satan ari
pabasa. Kana muchinamata Mwari murege kuzendama pavanhu nokuti kana
vakazodonha nemi munodonhawo, isai kutenda kwenyu muna Mwari kwete
kuvaFundisi kana maBhishopi nokuti naivo vatoriwo varanda vaMwari wenyu saka
shumirai Mwari kwete vanhu.”

Vakawedzera vachiti, “Ini ndakamboedzwawo nemweya wehupombwe ndikapona


nepaburi retsono (vachibva vaseka zvavo), wakaipa aive atondibata asi Mwari
vakatendeka. Regai ndikuudzei vatendi kuti Satan azoziva miedzo yekutiedza nayo
uye nguva yacho yekuedza, kana uri murume uchaona kuti panotanga kuipa zvinhu
muwanano yako zvikurusei pabonde ndipo paunotanga kuona runako rwemadzimai
evamwe vanhu. Kana uri mukadzi uchaona kuti kana murume wako avekukubata
nokunze kweruoko ndipo pauchatanga kuona moyo chena nekunzwisisa kwevamwe
varume. Saka kana nguva dzokuomerwa nehupenyu dzichiuya imi tarisai kuna
Mwari, zvichinaka kana kuipa ngazvidaro muri muna Mwari, regai kutarisa kuvanhu
nekutsvaga kuda kunzwirwa tsitsi navanhu kana muchida kuzonamata Mwari muri
muna Kristu Jesu”.

Mharidzo yavo yakazosara yopera misodzi yangu yati mokoto mumatama,


ndakabva ndasimuka kunodaira nhare yandakanzwira kure – kure ichirira mumba
medu mokuvata. Yaive yakanzi Mr. Manyoni asi pachiratidza kuti pane dzimwe
nhare dzarira ndikasadaira, uyu aive Naison achida kubvunza kuti ndiri kuenda
nguvai kumusangano, ndaive ndisina kumboinzwa ndichiona zvangu mharidzo
kusvika aita zvokuuya kumba. Akavhura musuwo ndichangodaira nhare yaManyoni.

[END OF CHAPTER THREE]

(Mwari vakukomborerei, musaneta kuita zvakanaka)


MWANA WE NGOMWA (CHAPTER FOUR)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

malvinbrown486@gmail.com

+27 74 707 1772

Ndaive ndichangodaira nhare yaManyoni, pasina kana zvandaive ndambotaura


naye, kumeso kwangu kwaive kuchine nzizi dzemisodzi iyo yabuda ndichiteerera
shoko raMwari pa FVL Gospel Gala. Overseer vaive vaparidza hupenyu hwangu
chaihwo uye kupupura kwavo kwakaratidza vaive vatumwa naMwari, ndaive
ndazvipira kurwira wanano yangu nokuwedzera kutendeka. Murume wangu
ndaimuda uye ndaisada kuti agumbuke.

Naison paakazarura musuwo ndakabva ndati rukutu, chakandinetesa hachisi


chekuti ndaive panhare asi ndechekuti ndaive panhare naani. Manyoni akatanga
kungoti Hello… Hello…… Hello…… panhare ipapo asi ndaive ndisingachagoni
kumudaira. Ndaimunzwa asi handina kukwanisa kumudaira kana shoko zvaro
nokuti nyaya yekufona kwake yaive yavekundiputsira imba yangu, veduwee
Wakaipa anoziva nguva dzokuvhiringa zvinhu, Manyoni aifona nguva dzekuti Naison
aripo kana kuti achingofona murume wangu anobva atosvika. Ndakangogona
kudimbura nhare iya ndobva ndati kunaNaison, maswera sei?

Naison: “Maswera sei? Nguva ino?”

Ndakaramba ndakanyarara achibva ati, “ndipe foni yako kuno”. Ndakamutambidza


ruoko rwangu rwuchidedera, ndobva avhura nhorondo yemafoni anopinda
neanobuda pafoni pangu wanikwe yaManyoni ndiyo yapedzisira kupinda. Akabva
anditambidza foni yangu.

Naison: “Chii chirikuitika pakati pako naManyoni?”


Ini: Daddy hapana chiri kuitika, angofona uye handizivi kuti aidei…!

Naison: Akabva aseka zvake achirova maoko ndokuzoti, “Pane zuva rimwe chete
rawakambotaura kuti unoziva kuti aidei here iwe? Riripo?”

Ini: Dady, musadaro ndapota hangu.

Naison: “Kudaro kudii? Kudii Mai Nyasha? Ndanga ndichiedza nhamba yako usinga
dairi kubva zvandabva pano mangwanani waivepi? Papera awa ne hafu
ndichikufonera, ukaona kuti ndanga ndichikufonera asi hauna kuedza kunditsvaga
kuti unzwe kuti ndinodeyi hanty? Wanga uchiitei? Yangu nhare haudaviri asi
yaManyoni? Maziso matsvuku ayo nemisodzi ndezvekuchemera rudo rwaManyoni ka
izvo? Handiti?”

Ini: Daddy, foni handina kumboinzwa kutaura chokwad…

Naison: “Usada kundirutsira Mai Nyasha wanzwa? Ndaneta nekureverwa nhema


newe, handisi chivezwa ini unoda kundiudza kuti yangu foni hauna kuinzwa asi
yaManyoni?

Ini: Aiwa ndaive ndakagara ku dinning uko ndichiona TV, ndatouya kuno izvezvi
ndichinzwa foni ichirira ini.

Naison: “Hoo saka wangouya uchibva wangotanga kuchema zvako? Kana kuti
wachemedzwa ne TV? Handiti wadaro kuti waive uchiona TV saka ndiyo yakupa
misodzi zve?” ndobva atanga kuseka chikwee zvake. “YaManyoni foni ndiyo inorira
zvinonzwika kwete yangu nhaika?” akawedzera.

Ndakaramba ndinyerere, ndichishaya kuti ndomuti kudii nokuti chokwadi chese


chaive choita nhema zvino.
Naison: “Musangano wawakati unoda kuenda watanga kare, uye wakagadzirira
musangano iwoyo kwenguva refu asi uchiri pano kana kugeza hauna. Maida
kuzosangana kunguvai naManyoni kuti mumbopedzana stress? Usambondiudza
hako kuti hamusikuzosangana nhasi, nokuti hauna chimwe chikonzero
chingakutadzisa kuenda kumusangano iwoyo.”

Ini: Kumusangano ndaive ndagara ndisisaende ini.

Naison: Wakaziva riini kuti hauchaenda kumusangano nhai Mai Nyasha?

Ini: Ndakamboramba ndakanyarara ndokuzoti, Nhasi.

Naison: “Sei usina kundiudza? Waida kuti Manyoni atange aziva? Ok, makorokoto
wanzwa?

Ini: Makorokoto eyi Daddy? Ndapota vimbaiwo neni kana ndichikuudzai zvinhu.

Ndakabva ndanzwa mbama kumeso kwangu, mangwanani iwayo nyenyedzi dzakati


vai mumba mese ndikasaziva kuti chii chirikuitika. Naison haana kundirova mbama
mbiri asi imwe chete iyoyo yaikwana nhatu nokuti yakanorwadzira mudumbu kwete
kumeso kwayakasvikira.

Naison: “Ndinokuuraya Mai Nyasha usandiita benzi wanzwa? Handipenge Mai


Nyasha, iwe unoziva kuti foni yako inofonerwa seyepa receiption chaiyo,
unogamuchira nhare mushure me five minutes dzega – dzega zvokuti dzimwe
nguva unotoenda kunogeza nefoni iwe, asi wondiudza kuti wasiya foni uchiona TV
for one and half hours? Kutanga rinni kugarira TV iwe, unozivei paTV?”

“Wakandinetsa last week yese ndichiuya pano husiku kubva kubasa ndichikubatsira
kuita research ye presentation yako yekumeeting yanhasi and all of a sudden
hauchaenda and you don’t even bother to tell me about it because I deserve such
suprises? Do you really think I am as stupid as I look? Dai ndazouya pano manheru
waindiudza here kuti hauna kuenda kumeeting? Wandiudza here kuti Manyoni
ambofona? Wandiudza here kuti waonana naManyoni mukarara mese? Because I
am very sure something like that was going to happen between you two today.”

Ndaive ndototya kumupindura nokuti mbama yaakandipa pandakambomupindura


yakaita kuti ndimboti tsvati tuweti mbijana mubhurungwa, ndikazoipihwa imwe
ndingazviitira tsvina chaiyo, ndaive ndopihwa mhosva yekuhura apa ini Manyoni
wacho ndaisamboziva kuti ndakapedzisira kutaura naye riini, worse nhasi wacho
hapana chimwe chaataura kunze kwekungoti “Hello”. Ndakatanga kuona nyika
yangu ichiguma ndikati ndinorambwa ndataura chokwadi ngaarove zvake.

Ini: Daddy ini handina kumbodanana naManyoni uye handisi hure, handizivi kuti
zvirikubva kupi zvamur…

Naison: “Please don’t Daddy me, if you want to see how a daddy looks like enda
unoona Manyoni. Wati hausikuziva kuti zvirikubva kupi handiti? I will be patient to
show you were it is coming from”. Can you answer this: zuva riya wakati urikuzo
blocker Manyoni pafoni pako but nhasi mafonerana, what do you have to say about
it?”

Ini: Handina kuzomublocker ini.

Naison: Tomboti wataura chokwadi kuti hauna kuzomu blocker, the next question
then is: Sei usina kuzomu blocker iwe waive wandiudza kuti uchamublocker
ukasazondiudza kuti hauchamu bloki?

Ini: I am sorry!

Naison: “You have always been sorry Mai Nyasha and I am now tired of your
apologies, ok?
Ini: Baba Nyasha I don’t know how to process this, I just don’t know. Things are
coincidentally happening and the debris is dumped on me as a recipient of this
circus.

Naison: “Mai Nyasha you are cheating on me, this is too much to be a coincidence.”

Ini: (I screamed involuntarily) how can you say that? I never cheated on you!

Naison: “You did. Not even once or twice but several times. Do you know what is
cheating Mai Nyasha? Everytime you hide anything from your partner you have
cheated. Don’t wait to have sex with someone – which I am sure you did with
Manyoni – to say you have cheated.”

“This is what is now going to happen” he added, “Buda mumba mangu izvezvi
unoonana naManyoni as you have planned then give him enough attention and all
the time he needs from you, mwana wangu ndichachengeta ndega kusvika
wapedzerana naye tozokuona wauya. Uri mukadzi wechiKristu rudzii anoputsa imba
yake namaoko ake?”

Ini: How can you say that bby, handisikuda kuonana naManyoni ini.

Naison: “Out of my house, NOW!”

He was serious and he could beat me again now.

Naison: “Ndati buda mumba mangu izvezvi, buda nxaa!”

Ndakabuda ndisina kugeza kana bhutsu mugumbo ndisina.

[END OF CHAPTER FOUR]


(Mwari vakukomborerei, musaneta kuita zvakanaka)
MWANA WE NGOMWA (CHAPTER FIVE)
SEASON TWO
Story by Malvin Brown
malvinbrown486@gmail.com
+27 74 707 1772

Zvanga zvisingaiti kuti ndiende kwaManyoni ende ndakabva ndamu blocker pafoni
pangu, ndichingobuda panze akabva atevera ndokubva akiya musuwo wake ndobva
apinda mumota make ndokuenda. Ndakatadza kana kumumisa chaiko nokuti
Naison ave akatsamwa zvaasati amboita kubva zvandamuziva, ndaingove nemakey
emota yangu chete muruoko asi kwekuenda ndakakushaya. Ndakagara zvangu
mumota panze ipapo ndavekufungisisa uku misodzi yaingobuda. Kunyangwe
ndaizogara naNaison hupenyu hwese asi chikamu chikuru cherudo rwake kwandiri
chaive chatobva. Chandakatadza chii? Kudaira foni yemunhu wandakarambana
naye kunganzi kupusa here kana kuti kunganzi kuputsa imba yako here?
Ndaingozvitongesa asi ndakadzidza zvakawanda panguva iyi uye kubva pawanano
yangu ndinazvo zvakawanda zvokudzidzisawo madzimai eAfrica.

Ndakazosimuka ndokuenda kwaTete mai Museto hanzvadzi yaNaison, ndakasvika


vachinzi havasati vadzoka kubva kumusangano ndikati regai ndivamirire zvangu,
paive nemwana wavo Dorcas uyo wandakati andipewo zvekugezesa nokuti ndaive
ndavekunzwa kunyara kuti handina kugeza nazvino. Dorcas akandibvunza kuti “ko
mauya musina kana pata – pata zvadzo hindava” ndikati nechemumoyo mwana
anoziva mbama here uyu, ndakazomupindura kuti handina kumbofunga kuti
ndichasvika kuno plus zvekufamba nemota unovarairwa wena. Ndakazopedza
kugeza Tete vaive vauyawo vachiratidza kuti vaive vakaneta chaizvo,
ndakasangana navo mupassage vachibuda mumba yavo yokurara vachienda
kuimba yokutandarira.

Tete: “Aikazve, imi mandivhundutsa. Ko muripano mai nhiya?”

Ini: Ehe zvangu, ko murisei?


Tete: “Ko kumusangano hauna kuuya wani, ndakufonera ukasadaira foni yako?
Maziso kutsvuka waitwei iwe?”

Ini: Ngatigarei pasi Tete.

Tete: “Zvaunenge une nyaya inotyisa iwe, nhasi handidi zvekutyisidzirwa ndine
zvanguwo ini. Pinda kuno kubedroom uko kuseating hakuchagariki macartoon
atanga ka”.

Takapinda mumba mavo ndokubva ndananavira kutora mafuta ekuzora ndobva


ndazora mafuta ndokugara pasi navo.

Tete: “Zvadii Mai Nyasha?”

Ini: Tete handizivi kuti ndotangira papi, nyaya yandinayo inondiita benzi kutaura
chokwadi.

Tete: “Taura muroora chii chirikunetsa?”

Ini: Ndatsamwisa baba vaNyasha saka vanditi buda mumba mangu izvezvi.

Tete: “Naison chaiye haaiti zvamurikutaura izvi, mamutsamwisa neyi chabva


chanyanya kudaro?”

Ini: Baba Nyasha vanofungira kuti ndinodanana naManyoni Tete, asi handivapi
mhosva nokuti ini ndini benzi. Ndakafonerwa naManyoni achitoda kuti tisangane
handizive kuti aidei kunyangwe akati anoda kukumbira ruregerero pane zvakaitika
asi handifungi kuti ndiyo yaive nyaya yake. Ndikamuudza kuti hapana ruregerero
rwandinoda nokuti ndakamuregerera kare, saka ndiri pafoni kudaro Baba Nyasha
vakabva vapinda mumba. Vakangobvunza kuti wanga uchitaura naani ndichibva
ndavanyepera kuti ndiri kutaura ne client. Ndaida kuedza ku protector relationship
yangu but he still found out and I became a lier. Nyaya yacho yakanetsa Tete
hatina kurara zvokuti nhasi ndamuka ndakaneta ndikatadza kuuya kumusangano,
ndangandakagara zvangu ndichitoteera gospel sermon paTV uku Naison achifona
kuti abvunze kuti ndaizobuda nguvai kuenda kumusangano. Foni ndaive ndasiya
kubedroom, pandazopedza zve TV ndichienda kubedroom Manyoni abva afona,
ndichingodaira phone yaManyoni Naison abva apinda saka zvabva zvaita sokuti I
was ignoring his calls yet ndichidaira yaManyoni. Handina zvandazotaura naManyoni
so Naison afunga kuti I didn’t go to the meeting so that I could meet up naManyoni.
Atsamwa Tete and I don’t even know what to do, especially now that he threw me
out of his house. I am puzzled Tete handichazivi zvekuita ini.

Tete: “Saka urikuda kuti ini ndiite sei?”

Ini: Tete you know very well kuti ini handidanani naManyoni, you know that. Can
you talk to Naison about it for me please?

Tete: “Aaah muroora urikuzvipingaidza wega ufunge, zvakaitika muhupenyu hwako


zvaifanira kukubatsira kushingirira imba yako. Unosekwa nenyika ufunge if you
want to play Mrs. Nice kunze uko and yet destroying your husband’s trust. I know
you are admitig that you are wrong but that is not good enough. I will never
advocate for you wena ko zvikazoitika kuti madanana naManyoni ndonyarira payi
uye ndinozotarisana sei nehanzvadzi yangu ini ndambokumiririra nhasi?”

Ini: Tete are you trying to say you don’t trust me?

Tete: “No, I trust you so much but this is not business, it’s a life. I can’t risk so
much I am sorry.”

Ini: Saka help me kuti toita sei Tete because Naison haasikuda kundiona izvezvi?

Tete: “I don’t know wena maybe we can talk about it tiri tese asi nhasi ndaneta, I
just need to rest”
Ini: So if not today Tete, ndinovatepi nhasi wacho?

Tete: “Panoka, urikuda kunovata kwaManyoni?”

Ini: Tete musadaro veduwee, munhu haachabvunzi here? Anyway regai nditorara
hangu ini nezuro handina kana kumbodzikotsira.

Tete: “Rara hako, neniwo dai isiri nzara ndingadai ndavata”

Ini: Kana neni ndinayo asi regai ndirare, ndozodya ndamuka.

Ndichangorovera matama angu pasi Naison akabva afonera Tete, vakazotaurirana


kuti tisangane mangwana titaure nyaya yacho tese. Asi Naison aipopota kuti haasi
kuda kumbondiona kana, Tete vakatotya kuti ndingarara ndiine BP saka havana
kumbondiudza kuti Naison aive ambofona. Ukuwo Naison paakafona, aingofamba
famba nemba yose achipopota paphone ipapao kusvika Nyasha abvunza kuti chii?
Haana kumupindura mushe asi mwana akatoziva zviri kuitika, until now I don’t
know kuti Nyasha akambozvarwasei chokwadi. Munhu uya wekuti haafariri zvinhu
zvehondo uye anoita zvinhu zvake chinyararire imi munozongoona maresults chete.
He does not really look for advices, maybe it’s because he don’t trust people so
deep. Ave mangwana Naison akaperekedza mwana kuchikoro iye ndobva adzoka
kumba kuti tizosangana naye kumba ikoko.

Takasvika zuva ratokwira kare kuma eleven mangwanani, Naison aivepo asi hasha
dzanga dzave shoma manje, tichingosvika kumba hapana chakambonyanya kuitwa
Tete vachibva vakanda nyaya mudariro. Ndakakumbira kuregerero asi it seemed
like Naison felt betrayed, he wanted more proof of my detachment from this
Manyoni thing. Ndichiri kuda kuedza kutsanangu takanzwa door richivhurwa:

Naison: Ndiani? Ndiani avhura door? (Achibva atosimukakuenda ku door ikoko)


Nyasha: Ndini Dady (Akabva apinda mumba mwana, Manyoni mumashure)

Nyasha was a very calm person nommater how angry people are, iye aitaura
zvinyoro nyoro.

Naison: Nyasha? What’s happening? Why are you not in school, I dropped you at
school this morning? And you Manyoni what do you want in my house?

Nyasha: Take it easy dady, everything is under control (Manyoni akaratidza


kushamiswa nezvaaiona)

Naison: Hey, don’t tell me to take it easy. You are just a boy (achipopota)

Tete: Baba Nyasha mirai tinzwe nyaya yese please.

Naison: Asi ndimi matuma mwana wangu kani muchimubvisa kuchikoro? Hee?

Nyasha: Dady lets seat down, Mr. Manyoni take a seat please (Apa hana yangu
yakabva yatanga kurova zvekurova zviya ndikati nhasi ndichaparirwa zvangu)

Vanhu vose vaive vagara pasi, kaNyasha kaive kakagara pa stool ye coffie table
ndobva Katanga kutaura:

Nyasha: “I know kuti I am still young but I cannot be abused anymore, I cannot
leave in a house where my father and mother are at war nezvinhu zvisina
huchapupu. You said you send me to school but imi matadza kuenda kumabasa
nokuti you are stressed, how then do you expect me to cope at school if you can’t
at work? I left school ndikanonyepera Mr. Manyoni kuti my father is not at home
and my mother is sick can you come and help, that is why he is here. I will
facilitate this whole issue if you can’t because beyond this day munhu wese
anofanira kurarama achifara”. (Takaramba takashamisika nokuti hapana
kwandakambonzwa zvinhu zvakadai) He continued, “Mr. Manyoni! Can you tell us
kuti why do you call my mother every now and then murikudei kwavari please tell
us the truth?

Naison: Nyasha, please don’t do this. Mira titaure nyaya iyi sevanhu vakuru, ok?

Nyasha: Too late dady, you have failed to do just that. I will handle it myself and
hapana chandisingazive, kana muchindirova henyu it’s ok but only after this. Mr.
Manyoni can you answer my question please?

[END OF CHAPTER FIVE]

(Mwari vakukomborerei, musaneta kuita zvakanaka)


MWANA WE NGOMWA (CHAPTER SIX)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

malvinbrown486@gmail.com

+27 74 707 1772

Pakaita runyararo imba yose kunyangwe vanhu vaive vakamirira mhinduro


yaManyoni, Nyasha aive mwana mudiki kuita zvinhu izvi asi hushingi hwake
hwakadzora hasha dzaBaba vake, ndakadzidza kuti kune vamwe vana vanobva
kuna Mwari chokwadi. Nyasha akadzokorora zve mubvunzo wake kechitatu kuna
Manyoni asi namamwe matauriro rwendo rwuno.

Nyasha: Muchapindura here kana kuti ndiende pamubvunzo wangu wechipiri,


tozodzoka kuneuyu mavenemhinduro?

Manyoni: Pamusoroi vanhu vose varimuno, ini kuuya kwangu pano kwanga kusina
kurongwaneni asi nokuda kwokuti ndatove pano zviri nani tiende mberi.
Pandinofonera Mai Nyasha ava kekutanga ndaida kutsvaga kuti ndionane navo
ndivakumbire ruregerero pazvose zvatakatadzirana.

Nyasha: Saka makatenderana kuti muchaonana riini kuti mukumbire rurgerero?

Manyoni: Aiwa hatina kutenderana chinhu nokuti ivo vakati vakandiregerera kare
saka hapana chikonzero chekuti tisangane.

Nyasha: Imi makaigamuchirasei mhunduro yavo?

Manyoni: Handina kufara nayo zvangu ndosaka ndakaramba ndichida kuti ndionane
navo.

Nyasha: Mati kekutanga maida kukumbira ruregerero, ko kechipiri kana kechitatu?

Manyoni: Ndaive ndongofonawo zvangu semunhu anofona kumunhu waanoziva


pasina chikonzero chingataurwa.
Nyasha: Mangamakamboudzwa here kuti Mai Nyasha vakaroorwa uye vanogara
nemurume wavo nemwana?

Manyoni: Hongu ndinozviziva.

Nyasha: Saka kana mudzimai wenyu akaitirwa zvamurikuitirawo mukadzi wemunhu


izvi munonzwa sei imi?

Manyoni: Hazvigamuchiriki zvakanaka, uye ipapo ndakaresva hangu.

Nyasha: Kana ndanzwa zvakanaka, chamurikuvavarira kekutanga ndechekuti


muonane naMai Nyasha mukumbire ruregerero?

Manyoni: Hongu.

Nyasha: Zvino zvamavaona nhasi chichakutadzisai kukumbira ruregerero chii?

Manyoni: Hapana

Nyasha: Saka kumbirai ruregerero.

Manyoni: Amai Nyasha ndokumbirawo ruregerero nokuda kwezvose


zvandakakutadzirai pamwechete nemhuri yenyu.

Ini: Zvakanakai, ndakakuregererai kare. Saka sunungukai zvenyu!

Nyasha: Pachine chimwe futi here vaManyoni?

Manyoni: Hapana

Nyasha: Ko imi Mai Nyasha sei zvichiita sekuti zvinokunetsai kutaura navaManyoni
nemoyo unesimba nguva zhinji, mune chenyu chaanacho here kana chimwe
chaanofanira kuita kwamuri? Muchitaure dare rino richinzwa.

Mai Nyasha: Aaaah hapana chandinoda kwavari ini. (Veduwee hapana chinhu
chinoninipisa sekugadzikwa dare nemwana mudiki, ndakanyara)

Nyasha: Baba Nyasha, ndokumbirawo kuti muudze vaManyoni chinhu kana zvinhu
zvamusingadi kuti vaite. Zvinofanira kuve zvinhu zvinechekuita nemhuri yenyu
chete.
Baba Nyasha: Manyoni, stay away from my family. Handidi kuti ufonere futi
mudzimai wangu kana kumubatsira ne anything. I DON’T WANT your presence on
my family for so long as I live. I don’t want to even see you anywhere near
anything that is property to me. Then iwe Mai Nyasha han………

Nyasha: Sorry Daddy, zvamunotarisira kumudzimai wenyu munozomuudza muri


mega not muno. Zvinogona kuzoshandiswa mangwana musipo. Keep it quite (aida
kuti “keep it private”)

Pane anemubvunzo kune mumwe here kana chimwewo chekutaura maererano


nenyaya iyoyi iri mudariro?

Tose takaramba takanyarara, ndaifungira kuti Naison achataura something but


akaramba anyerere. Kana ndiri seni ndaive ndisina chekutaura kunze
kwekukumbira ruregerero kumurume wangu and I knew kuti this time
aizondiregerera for Nyasha’s sake. Asi handina kuda kukurumidza kuzviita kusvika
Tete vataura:

Tete: Nyasha waita hako mwana wenzvadzi yangu, urimwana mudhara chaiye
(vakabvavaseka but the other faces were still tense), it’s not good to come to this
point but I can see kuti tasvika patasvika apa nenyaya yekusabudirana pachen
nokuhwandirana. Taita sevana chaivo panyaya yese iyi zvichida ndosaka Mwari
vashandisawo mwana kuti tione hupenzi hwedu. Ini handina chekutaura kuna
vaManyoni, chandingada kutaura kunaMai Nyasha ndechekuti: Muroora kana uchida
kuchengeta imba yako unofanira kuve munhu wemufamba kamwe, usaedza
kuchengeta zvinhu zvisiri necessary nokuti zvinozomera. Imba inofa nokuda
kwekusatendana uriwe honzeri kana vanaNyasha vanoshaya kwekudzidza kupenyu,
chokwadi tingasvika here pakucheuka kutarisa kuna Nyasha kuti atipe mazano isu
tave nemisoro michena iye achine mukaka pamhino zvake?

Naison: Ndizvo zvirikutoitika Tete, whatelse do you see here (Achibva asimuka
kuenda kubedroom)

Manyoni akasara akaoneka ndokubuda asina akamuperekedza, nyadzi


dzinokundarufu chokwadi. Ndakaona murume mukuru achiita seachadonha
nenyadzi, kana iri step chaiyo akaishaya akazongoita zvekukunguruka achienda
kumotokari yake. Nyasha ndopaakazosara achitimhoresa kuti mamuka sei nokuti
matangiro akaita zvinhu musiwacho akatadzisa zvakawanda kuitika. Akasimuka
mwana ndokunotora drink kuti tinwe asi ini handina zvangu kurinwa ndakabva
ndasimuka kuenda kwakaenda dady. Akangonitarisa zvikanzi “lets move on and
start things from the start, this must not happen again”.

I walked straight to him ad hugged him, I was sobbing a bit and he rubbed his
hands on my back to try and comfort me. It was really comforting and things went
from one point to another takazotoyerekana takunokerwa pa door kuti Tete
vakuenda, ndaive ndotoda futi kechipiri na Naison asi zuva raive rakwira uye
kumabasa kwaifanira kuendwa.

[END OF CHAPTER SIX]


MWANA WENGOMWA (CHAPTER SEVEN)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

malvinbrown486@gmail.com

+27 74 707 1772 / +27 74 356 6254

Kusagona kwangu kuve munhu akasimba kwaive kwoda kuparadza imba yangu, asi
tinotenda nyasha dzaMwari nokuti dzinopa munhu mukana wechipiri kana wechitatu
kana wechina. Naison akagona kundiregerera ndokutangidzazve rudo rwake patsva
kuti tikwanise kuregererana pazvose. Manyoni haana kuzomobvira aedzazve
kuzondifonera uye Nyasha akaramba achikura pahuchenjeri napaumhumhu,
kuchikoro aive mwana aiteerera chose asi aisazoshairwawo zvaaipomerwa
semwana arikukura. Rimwe zuva takanyara tikashaya pokupinda paakabatwa aba
zvinwiwa zvepachikoro zvaive zvaunganidzwa nokuda kwemutambo wePrice Giving
Day, ndiye anonzi akatofurira vamwe vana vatatu vaaive nawo kuti vatore nokunwa
zvinwiwa izvi vasina kupihwa. Vakarangwa pamberi pevamwe vose kuti vamwe
vana vagotya kupara mhosva. Baba vake vakatoshaya kuti vomudii nokuti havana
kumbotarisira kuti Nyasha angaita chinhu chakadai, ini ndakangoti ndizvo zviya
zvinonzi navanhu “vana havarambire”. Kuzoti apedza zvidzidzo zvake zveSecondary
akaenda zvake kumusha kumbonoona dzimwe hama akamirira kukohwa
zvaakanyora.

Kubva zvakazvarwa Nyasha hakuna kuzozvarwa mumwe mwana mushure make


kunyangwe ndaida kuzvarira murume wangu vana vazhinji asi iye Naison aisada
vana vakanyanya kudungamidzana, patakazoda kuti tiite vana pacho nokuti Nyasha
aive akura zvakangoitika kuti mimba dzacho dzaisvodza dzisati dzasvitsa mwedzi
mishanu uye izvi zvakaitika katatu kusvika Naison ati ngatisiyane nazvo zvachose
titende Mwari nokuda kwemwana mumwe chete iyeye watinaye. Ini handina
kugamuchira pfungwa yaNaison nokuti ndaive ndichirikuda mumwe kana vamwe
vana asi Naison aive avekutotenda kuti zvichida Mwari vakatipa zvakakwana.
Ndakatanga kufunga kuti kana ndikasazvara mumwe mwana vanhu vose
vachazofunga kuti ndakaita mistake pandakazvara Nyasha, saka ndaida kunyatsoita
show – off chaiyo kunyika kuti I can do it apa Nyasha aive akura zvekuti ndaive
ndisisa kwanise kuita zvangu vamwe vana vatatu nokuda kwezera asi one more
aibuda chete. Ndakarega mapiritsi ekudzivirira mimba kwegore rese asi zvaive
zvotoita worse nokuti mimba yacho yaive asisatobate, paya zvaive nani kuti yaibata
yozobva asi apa zvanga zvotoramba. Ndikatanga kutyisidzirwa nepfungwa dzangu
kuti zvichida hungomwa huya hwave kudzoka zvakare, semunhukadzi ndakabva
ndatanga kutsvaga mazano nokubvunzawo vakura kuti chii chirikuitika kwandiri.

Vamwe vaiti, “haaa munoda kuziva nguva dzekurarwa mai bhoyi, chimwe
nechimwe chinenguva yacho”. Vamwe vakati, “Zvimwe zvinhu itori mweya yetsvina
chaiyo isingadi chakanaka, endaiwo kunobviswa munyama zvinoitwa vamwe
kumasowe”. Vafuriri vaiti, “Zvichida munyama urikubva kunaManyoni handiti zviya
makamubata neseri kweruoko mukaseka hurema hwake”. Vamwe vachiti,
“Musaneta kunamata nokuti vana vanobva kunaMwari kwete kubonde remumba
menyu”. Vanhu vakataura zvakawanda zvimwe zvaive nemusoro zvimwe zvisina asi
zvese zvaindipa kufunganya kwakawanda, ndakaramba ndichitsvaga mazano asi
hapana chipenyu chandakabuda nacho. Naison haana kumboziva kuti ndiri kuita
research yakapenga kudai nokuti dai akaziva aitondirambidza apa mwana
ndichimuda, saka ndikati let the sleeping dogs lie asi bhora mberi nekutsvaga nzira
yekuita nayo mwana.

Zvekunamata kuti Mwari andipe mwana kwandiri was not a good idea because
ndaisave munhu uya anganzi anonamata chaizvo, saka ndaizozivasei kuti Mwari
vachandipa mwana ini ndisati ndambonzwa kutaura kwaMwari? At least
kunamatirwa kuchechi was the best but ne experience yangu naOverseer makore
apfuura ayo ndakaona kuti pamwe vafundisi vemasvutu ava vakangofanana vose
vanonyengera. Idzi dzaive pfungwa dzangu asi ndaitodzikoshesa zvichindifambira,
ndakazofunga kuti regai ndiite zvaive zvambotaurwa navamwe mai kuti “dai
mamboenda kuna madzibaba”. Ndakavatsvaga mai vacho ndikavawana
ndokunyatsobvunza kuti nyaya yekuenda kwamadzibaba yaizondibatsira zvakadii,
vakanyatsakutora nguva yavo vachinditsanangurira ini ndichingogutsurira
ndakateerera. Magonero avo ekutsanangura avakaita ipapo ungati ivo vanotorine
mwana wavakapihwa kwaMadzibaba kwacho ikoko.

“Mai Nyasha shamwari Mwari ndiye – ndiye, chinonetsa vanhu vechechi dzemicheno
sedzenyu idzi ndechekuti munotuka manamatiro evamwe muchikanganwa kuti
muridzi wokutenda kwose ndiMwari. Ini pachangu handina kumbonamatirwa
namadzibaba kuti ndive nemwana asi maziso angu aya aona zvakawanda, kuti
uwane zvaunoda munhu unotoshingirira iwe urimunhukadzi iwe unoziva
zvandinoreva. Enda unonamatirwa uzviitire mwana wako nokuti pamwe mweya
yemaSatanist ndiyo irikudya vana vako saka kana zvakadaro inozviziva sei usina
munhu wemweya muhupenyu hwako? Kunyangwe vakakuti uuye nemazai kana
mukaka nematombo, zvingakutorera chii izvozvo iwe uchida mwana?”.
Ndakanyatsonzwa kusimbiswa mukati mangu ndikabvapo ndatozvipira kunoona
Madzibaba Abednego.

Aive masikati machena musi wechitatu ndapedza appointment yandaive nayo nema
Investors ekuMorroco aive arimunyika nokuda kweWomen’s Business Forum,
ndaive nhengo yedare iroro nokuda kwaMai Museto vaiva Tete vangu hanzvadzi
yaNaison. Ndakapedza appointment ndichibva ndapinda mumota kuenda
kwamadzibaba, chandaifambira ikoko yaive nyaya yemwana wandaida kuti
vandinamatirewo vachidzinga mweya yekusvodza iyi yaive yoda kundidzosera
kwandaive kare. Madirections ndaive nawo saka ndakakurumidza kufamba
ndokunosvika waneyi nzvimbo yacho zvaririsango chairo. Ndakatoshaya pokuisa
motokari yangu nokuti ndaisatomboda kuti kuve nemunhu angaiona akazoziva kuti
ndakamboenda kwaMadzibaba nokuti hapana chinhu chaivengwa naNaison kudarika
n’anga namaporofita. Ndakazongoimisa pandaifunga kuti pakahwanda ndobva
ndaburuka nokukurumidza kuenda pana madzibaba paye, ndakasvika vari vega
ndikati nechemumoyo “vangashandira munhu kwazvo – kwazvo ivava ipo pasowe
racho pasina kana munhu? Vanhu vanonyatsogona ndinoziva vachiwandirwa ini”
apa dzaitodya zvadzo munhuchu wainhuwirira dovi nechidrink chiya chakanzi
twizza. Pavakangondiona vakabva vavhara zilunch box ravo ndokutonhonga
tsvimbo yavo vachiuya kwandiri zvikanzi “Amai bvisai shangu dzenyu nzvimbo
yamuri itsvene” ndakabvisa bhutsu dziya ndichingoti nechemumoyo haiwawo
panzvimbo tsvene panodyirwa here zvandaona muchidya? kana kuti
ndezvekungoda kutyisidzirana chete?”

Ndaive ndagara muvhu zvino apa ndaive ndakachena musi wacho, ndaitarisira kuti
vachakiriridza zvatinonzwa kuti mapostori anombotaura ndimi dzaana Eria naana
Jeremiah. Vakabva vatotanga kuseka zvavo Madzibaba Abednego zvikanzi, “Amai
munhu kana achiuya kuna Mwari haafaniri kunyunyuta zvamurikuita izvi, tendai
kuti murikuuya kuna Mwari kwete kumunhu. Ndiri kuona kuti moyo wenyu
wakazara nekunyunyuta asi zvisineyi Mwari achaita kuda kwake” mashoko aya
akandivhundutsa kuti kamurume aka katoona zviri mumoyo mangu? Ndakabva
ndatanga kuve nekutenda kuti zvichida kanogona kundibatsira ndikave nemwana
pano.

Ndakaramba ndinyerere ndakamirira kunzi taurai dambudziko renyu, asi havana


kundipa mukana vakaenderera mbei vachiti, “Amai ndirikuona vana vakawanda
vasina kuzvarwa mudumbu renyu iri uye vamwe vakatofa, chingave ndicho
chikonzero chakuunzai pano here?” ndikati hongu munhu waMwari ndibatsireyi ndiri
kuda mwana. Vakati, “Vana vanobva kuna Mwari uye mauya panzvimbo yakanaka
nokuti ndirikuona gore dema pamusoro penyu apa, uye pane zvakawanda zvinoda
kuitwa pamuri Amai asi kwanhasi ndichakupai mvura yekunwa chete mozouya pano
mangwana mangwanani muine huku mbiri chena pamwe chete nemafuta ekubikisa
2 litres”. Ndakapihwa mvura iya ndobva ndaenda, handina kumupa kana mari kana
chii, ndikanzi ndipedze ka one liter kemvura ikako kaakandipa apa yaipisa sei
nekuswera yakananikwa pazuva, iko kachigubhu kacho kaive nemvura ndofunga
nditwo tuzvigumbu twedoro tuya kainhuwa doro kuti bvuu zvako ndikati zvino
zvandichanzwikwa munhuwi wedoro naNaison ndikazviparira. Ndakavhura mota
kuti ndiende kumba ndokutoona Madzibaba vaya vavekutosimudzira munhuchu
wavo wavaive vasiya nokusvika kwangu pakirawa pavo, ndikati ndosaka vandivhara
vhara kuti ndikurumidze kuenda kuti vasare vachidya anyway let me go. I drove off
but mota yaive nehuruva apa tsvina pamota ndicho chinhu chandaive ndakavenga
because it potrays a wrong picture of the vehicle owner, ndakapfuura nepa car
wash ndokugeza mota ndobva ndaenda kumba.
Ndichingosvika pamba Naison was there akamira padoor chaipo, pandakamuona
ndiri mumota ndakabva ndanokora ma mint aive mudashboard kuti ndidzime
munhuwi wezvimvura zvaAbednego zvandaive ndadutira izvo zvainhuwa doro
kudaro. Ndichingoburuka mumota Naison akabva aratidza kutsamwa ndikati chave
chiizve, ndobva ndamumhoresa nemufaro.

Ini: Hi Babe?

Naison: Mai Nyasha, where are you comng from?

Ini: (Yooh I nearly fainted) of course kubasa hun but why? (Apa ndaidedera asi
ndichivharidzira kunge ndiri bhoo)

Naison: Mai Nyasha, don’t take me for a fool. Wanga uchiitei kumapostori? Are you
now going kun’anga kuti uuye nemadhimoni pano Mai Nyasha? What did I tell you?

Ini: Babe where is all this coming from? (Ndaive ndatota zvino)

Naison: Ok, may be someone lied to me because munhu andiudza kuti aona mota
yako kumasowe anditi mota yacho inehuruva but I don’t see that on your car.
Maybe kufanana kwemota plus I don’t really believe ungaita izvozvo. I am sorry for
that, ok?

Ini: (Ndakabva ndafema zvekuzorora) But babe how can you just believe people
and then go off on me just like that? Usadaro shaa you must be able to trust me
after all I am your wife.

Naison: I feel bad for that too, I am sorry swty. Come here! (He hugged me,
ndobva tapinda mumba)

Ndakazosara kurara zvangu husiku ihwohwo asi ndaive nepfungwa mbiri dzaive
serious: imwe yaiti Mwari varikutokuyambira kuti usadzokezve kwaAbednego uko
because zvichakuputsira imba yako. Imwe ichiti hakuna nzira isina gata wena atori
Satan arikuda kukushayisa mwana zvawatombotanga kudai chitopedzisa.
Ndakashaya zano rokutora pakati pemaviri aya asi nokuda kwekuti Abednego aive
aratidza kuti anoona kwazvo ndaitozoshingirira nokumukumbira mushonga kana
mvura yokuti ndisabatwe. Ndaive ndatoshinga kuzviita ende ndaitozviita chete.
Ndakamuka mangwana ndokuenda kubasa, ndakasvikosiya mota ndokutsvaga
private taxi ndobva ndananga kwamadzibaba nehuku dzangu mbiri dziya nemafuta.
Ndakaudza munhu we taxi kuti ndaizomufonera onditora, ndakamirawo queue
nokuti paive nevanhu vaive vanditangira. Ndakashandirwa zvakanaka
ndokupedzerwa nguva ichiripo ndokubva ndanzi ndichienda zvangu, ndakakumbira
Madzibaba Abednego kuti vandipe mushonga wekuti ndisabatwe nemurume wangu
kuti ndaive ndauya kuno.

Apa ndipo pandakazviparira manje, akabva ati, “Amai nzwisisai kuti ini handisi
n’anga handipe vanhu mishonga yekudzimaidzana manzwa, uye ini handishandiri
mukadzi anenge achiita zvechihwande – hwande kumurume wake nokuti
ndangandichatozoda kuti muuye mese nemurume wenyu pamuchauya kuzopedzisa
munamato wenyu. Asi kana muchirikuda kuita izvi murume wenyu asingazouyi
pano ndinenge ndave kukupayi sarudzo mbiri, muchazvisarudzira mega modzoka
nemhinduro yangu mangwana, kana matadza kudzoka nemhinduro ndichakupayi
WhatsApp number yangu mondiisira message nenguva dza9:00am exactly.
Ndikasaona message kana imi kusvika na9:30am mangwana then zvinoreva kuti
hamuchazvikwanisa. Saka sarudzo yekutanga ndeyekuti tichashandisa mvura
yekuma sewage uko kuti musuke chibereko chenyu asi tichainamatira kuti irege
kusiya zvirwere mudumbu menyu kana mainwa nokuti tsvina inobviswawo
netsvina, chepiri ndechekuti kana murume wenyu asingauyi pano then ndinenge
ndave kukumbira mweya waMwari kuti ndibvise dambudziko renyu ndichishandisa
nhengo yangu ini nokuti yakazodzwa inoshanda pese like zvinoita master key.

Endai muchifunga pakati pezviviri izvi mondiudza mangwana kana kurega


mongosiyana nazvo zvemwana zvacho.

[END OF CHAPTER SEVEN]


MWANA WENGOMWA (CHAPTER EIGHT *(A)*)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

malvinbrown486@gmail.com

+27 74 707 1772 / +27 74 356 6254

Pungwa dzakaramba dzichipisana mandiri kuti ndoita sei uye ndosarudza zvipi
pakati pezviviri zvandakaudzwa naAbednego. Dzaive sarudzo dzakaoma dzose
zvadzo zvikurusei sarudzo yenhengo kunyangwe ndaida mwana izvi zvaive
zvasiyana nezvandaitarisira, ndakamboda kuti regai ndirovere moyo kudombo
ndikumbire Naison kuti tiende hedu tese kwaMadzibaba kwacho kuti nditize sarudzo
idzi asi kwaive kuzvikanga namafuta angu. Imwe pfungwa ikati ko kungozvisiya
zvineyiko, handiti iye murume wangu wacho haasi kundipa pressure here? Asi I
failed to make peace with that mind, kunyangwe raive zano rakanaka chose.
Ndikati futi kunwa masewage kwete, nekusema kwandinoita masewage emuroad
kuzoti kuisa mukanwa haiwa bodo. Dzaingove pfungwa dzakasangana sangana asi
hapana yandakabuda nayo kusvika zuva rabuda, ko ndakambovata here?

Ndakagadzirira murume wangu kuti aende kubasa ndokubva abuda ini ndichitevera
mushure make kuendawo kubasa kwangu, ndakasvika ndikaita dzinenge 20
minutes ndakatsikitsikira pa desk ndichifungisisa kusvika ndati regai ndingorovera
moyo kudombo nditumire Abednego message pa WhatsApp. Ndakabva ndanyora
ndokudzima ndikanyora zve ndikadzima ndokuzongonyora ndokubaya send
ndakatsinzinya. Yakaswera zuva rese yakatika ka one chete ndichingotarisa every
now and then kuti aiona here ndinzwe kuti anoti kudii. Message yacho yaive
yakangonzi “Itai henyu zvenhengo yacho”. Akazoiona kuma 4pm ndokupindura
after dzinenenge 30 minutes achiti “zvakanakai, asi zvinofanira kuitirwa mumba
menyu pamunovata nemurume wenyu chaipo. Kana magadzirira munondifonera
ipapa a day before motuma munhu anouya kuzonditora kana kuti mouya imi
kuzonditora, ndichange ndakamirira”. Zvakandirovesa hana kuti zvinhu zvacho inga
zvirikuramba zvichingonyanya kushata nhayi. Chokwadi ndingarara nemunhu
pamubhedha wangu naNaison kungave kushaya ruremekedzo kwakadii ikoko? Asi
hapana zvekuita semunhu aive azviparira kare.

Nguva yakafamba, mushure me dzinenge svondo mbiri Naison akabva ati tiende
kunotora mwana kumusha aifanira kufanotsvaga zvekuita kuti pfungwa dzake
dzigare dzakavhurika akamirira maresults nokuti taida kumutsvagira nzvimbo
kuUniversity saka aifanira kuve akagadzirira. Kuzoti kwasara mazuva matatu kuti
tiende kunotora mwana zvikanzi naNaison “Shamwari ndichaenda ndega kumusha
kunotora mwana ndoda kuti undiitire mafiles angu kubasa musi wacho saka
ndichamhanya babe hanty I will come back the same day?” ndichibva ndabvuma,
imwe pfungwa ikati chance given. Ndakabva ndataura namadzibaba kuti
ndaizovatumira munhu kunovatora, ndaitya mukati mangu kuti if one thing could
go wrong then my marital life ends here. Nyaya iya yaManyoni yaive iri small issue
asi yakandiradza panze pemba yangu kuzoti iyi yekukwirwa neumwe munhu?
Kwete izvozvo chete asi pamba pake here pamubhedha wake futi?

Naison akamukira kuenda zvake kumusha, waive musi weChitatu mangwanani


ndichibva ndatuma taxi kuenda kunotora Abednego, ndaiziva kuti Naison aizodzoka
zuva iroro uye ini ndaisada kuita basa rakaakandisiira saka ndakatora makey
ekubasa kwake ndobva ndaisa mudashboard mumota make kuti ndizomuti babe
hauna kundisiira makey zvobva zvavharana since ndaisaziva kuti madzibaba vaida
nguva yakareba sei neni. Abednego akasvika Naison avene 1 and half hours abuda,
taxi driver akasara akamira kunze kwegedhi ari mumota make zvake kumirira kuti
munhu waauya naye apedze zvaafambira vadzokere nokuti mari ndaive ndamupa
yakakwana. Achingopinda akabva ati “Amai hatisi kuzopedza nguva refu pano
ndinebasa rakawanda nhasi, saka zvichaitika pano ndezvinoti: Ndichanamata then
mobvisa hembe dzenyu mega ndorara nemi asi mbeu yangu handirase panze
kunyangwe zvazvo ndisingazoshandise protection nokuti zvinofanira kuitwa nenzira
kwayo. Are you ready for this?”

Ndaive ndafunga kuti anozoita necondom but iyi yaaive oda kuita iyi was too much
now, ndakazongoti “YES” but I was very much confused kuti saka akasiya mbeu
yake mandiri kunyangwe mwana akazovepo anenge azori waani? Ndakabvisa
hembe dzangu mberi kweumwe murume akayeva zvake achiumbidza muviri
wangu, it was supposed to feel romantic asi zvainyadzisa uye ndaitodedera
zvaioneka. Ukuwo Naison akangoti achisvika pa first filling station outside town kuti
anwe mafuta emotokari yake ndobva avhura dashboard kutora ma fuel coupons
ekubasa aaishandisa kudira fuel wanei makey eku ofiice kwake arimo, ndobva
atokurumidza kudira fuel ndokudzoka kumba kuzondipa makey eku office kwake
andaive ndaviga mumota make.

Ndaive ndiri musvo sendichangozvarwa, ndatopinda mumachira ndichimirira


madzibaba kuti vachiisa munamato vabva vandishandira, kupinda kwaNaison
pagedhi handina kukunzwa zvichida inyaya yekuve confused kwandaive ndakaitwa.
Paakavhura door reku kitchen handina kuzvinzwa asi Abednego akazvinzwa ndobva
abvunza kuti “ndiani uyo?” ndakatofunga kuti arikutaura mumweya nokuti handina
kunzwisisisa kuti ndiani uyo upiko. Ndakazoona Naison atovhura door
remubedroom make maindaive ndakakumurira mbatya mumwe murume.

[END OF CHAPTER EIGHT *(A)*]


MWANA WENGOMWA (CHAPTER EIGHT *(B)*)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

malvinbrown486@gmail.com

+27 74 707 1772 / +27 74 356 6254

Hapana asina kuvhunduka tose tiri vatatu takaita setichafa nekushamiswa, asi
Naison aive achitoita seaive akazvitarisira hake he was not really shocked.
Hamadzangu nyadzi dzinokunda rufu, ndakashaya zvokuita nenyadzi uye ndakabva
ndatogamuchira kuti marriage yangu yaperera pano.

Naison: Mamukasei?

Hapana akadaira, uyu Abednego aive otobvunda zviya zvekunge achazviitira weti
chaiyo. Ini kuti ndichibuda mumachira zvaramba, ko ndaibuda seiko ndakashama
kudayi? Ndaive ndotonyara kuonekwa ndakashama nemurume wangu asi ndanga
ndasununguka kushamira mutorwa. Ndakashuva kuti dai nyika yangovhurika
ndipinde zvangu, kana chekutaura ndakachishaya ndakamboda kuti mhere kwetsu
asi ndakashaya kuti zvaizoshandureyi izvozvo nokuti Abednego haangambodaro
auya mumba umu ega. Akabva asimudza inzwi ndokuti:

Naison: Ndati mamukasei, manyararireyi? Asi hamuna vanhu muno?

Hapana akadaira zvakare

Naison: Hesi Felix, uchandiziva here? Akadaro Naison achizvuva kachair kepa
dressing table ndobva atogara zvake.

Abednego: Akaratidza kushamiswa ndokuzoti, “Makadii?” apa achidedera zvake


munhu waMwari.

Naison: “Do you remember me?” Zvakandikatyamadza kuti vangadaro vachizivana


kupi vanhu ava. I was shaking now and even more.

Abednego: “No”
Naison: My name is Naison Chirenda, I work nemuzukuru wako on the next building
anonzi Clive Bande. Waiuya kubasa kwake several times kuzokumbira mari kwaari
and at some point I gave Clive mai yekuti akupe, wakanganwa munhu wawaiseka
naye uchitaura kuti kuporofita kwako ndekwebusiness? Wakanganwa here munhu
akakuti dai watendeuka usatambe nezita raMwari? I am the same person who
bought lunch for you kuSadza Inn about three months ago, kwawaizotaura kuti
unoshandisa zita rekuti Abednego kuita mashiripiti ako aunoromba iwayo. Do you
now remember me now? If yes what do you need in my house?

Abednego uya akangokwanisa kutendeuka ndokutiza kuenda, door rakaita


serichakwachuka achitiza asi Naison haana kana kumboedza kuda kumubata kana
kumutevera. Akabva anditi, “Mai Nyasha thank you very much for your faithfulness
all the years, handisati ndakambokuona uchi cheater zvangu and even paya
pandainetsana newe nenyaya yaManyoni I was protecting my family not kuti I ever
accused you of cheating on me. However today is a different day because you seem
to enjoy pleasures of sin, chihure chinouraya iwewe ndikuudze and chakanyanya
kushata nokuti chinosvibisa ropa. Everytime when you cheat munhu anokuda kana
kuti munhu ari innocent zvakafanana nekuti you are throwing away a diamond to
protect a mere stone. Hapana nguva ndakutsiura nyaya yaManyoni but you are
stuck in a worse situation today. Takagariswa dare nemwana wako pano nguva iya
zvaunoziva iwe, kana ndiwewo akazvinzwa izvi anoti kudii newe? It’s pretty sad
that life gives bad results to vulnerable people like me. I don’t want to hear any
explaination from you now, I had come back kuzokupa mekey eku office kwangu
andakanganwa kukusiira but there is no need at all.”

He added, “I want you to collect everything that belongs to you in this house and
leave this place, by the time I come back here you should be gone because inini
ndiri kukutadzisa kufara nekusununguka dear saka enda unonyatsoita zvaunoda
nemuviri wako. I will make sure Nyasha and I will keep you undisturbed, I will take
care of my son he deserves the best. I am out of here please undisiirewo makey
angu kuoffice kwangu kana watadza just leave the house unlocked Mwari
vanochengeta zvauchasiya zvacho izvozvo, bye!”
Akabva atosimuka ndokubuda achisiya ndichichema kudaro, ndaive
ndazvikonzeresera ndega, of course ndaive nemba yangu zvangu yandakatenga
ndisati ndaroorwa naNaison but I wanted my marriage to work. I was stupid to
have done that asi even kuti ndikumbire ruregerero zvaibva zvaita sokunge
ndiwomagariro angu ekugona kuti sorry everytime yet ndisingachinji, chero kuudza
munhu kuti ndaida kuitira murume wangu mwana ndikabvunzwa kuti aive akunetsa
kuti anoda mwana here ndaizotii? Ndakapererwa nepfungwa ndichibva ndati kana
Naison akasvika ndiri pano anondiuraya, ndakabva ndatora hembe dzangu
ndokuenda kumba kwangu. What a cold place it was? Ko mwana wangu achati kudii
nokuda kwangu, mumakore mashoma aive apfuura ndaive ndaita shamwari
dzakawanda pamwe chete nemukurumbira nokuda kwekwandakabva naManyoni
saka vanhu vose ivavo vakambondiropafadza vakanzwa izvi vachazoti kudii?
Ndakatanga kufunga kuti dai ndakateerera pfungwa nemazano aiuya mandiri aya
dai ndisina kusvika pandiri nhasi but it was too late, my marriage had imploded
because of my stupidity. Chokwadi mukadzi benzi anoputsa imba yake namaoko
ake asi wakachenjera anoivaka.

[END OF CHAPTER EIGHT *(B)*]


MWANA WENGOMWA (CHAPTER NINE)

SEASON TWO

Story by Malvin Brown

malvinbrown486@gmail.com

+27 74 707 1772 / +27 74 356 6254

Ndakange ndogara ndega zvino, ndarasikirwa nezvandakashingirira nguva refu.


Vaya mai vaive vambondikurudzira kuti dai manoona madzibaba vaive vondiseka
havo kuti akarasa chiri mumaoko nokuda kuombera, chokwadi munhu haana
chakanaka. Kubva zvandasiyana naManyoni ndaive ndisina umwe murume
wandakamborara naye kunze kwaNaison, kunyangwe pandakabatwa pacho
ndakatosvikirwa ndisati ndaitwa asi ndaitove ndave pedyo zvangu. Naison
akaramba kuti nditsanangure nokuti this was worse, kana neni ndakamunzwisisa
nokuti hakuna murume angagara nemukadzi asina kutendeka sezvandaive ndaita
izvi; hongu kune madzimai anohura mudzimba dzavo asi kwete zvekuzosvika
pakuhurira pamubhedha wemurume wake sezvandange ndoda kuita izvi. Ndainyara
zvakanyanya kwese kwandaienda, kuzoti vanhu kana votaura zvehuhure hwangu
ungati ndakazonyatsohura kwacho, madzibaba vaye ndaive ndavavenga zvekusada
kana kunzwa nyaya yaana Misheck naAbednego yemubhaibheri iya, kubvawo
pakaitika izvi handina kumbozobvira ndataura navo futi ndakabva ndava blocker
pamafon angu ese.

Nyasha akauyawo akandishura ndikashaya pokupinda, kutukirwa hufeve nemwana


wawakazvara kunonyadzisa hama wee. Unenge uchingoti ukamuona kana
akakufonera hana inotorova kunge ndiye murume wako, mufaro ndaive ndisisina
zvachose zvichikonzerwa nokuda kurarama hupenyu hwekufadza vanhu. Naison
haana musi waakambondifonerawo kana kumboona missed call zvayo kubva
kwaari, zvekuti dai kune musi waakambondibhipawo zvake ndaitosimudza mota
kuenda kumba kwake kunoti ndaona missed call. Asi hazvina kuitika izvozvo,
nokufamba kwenguva ndakatanga kuzviregerera kuti ndigone kurarama zve but my
life was a mess. Iyewo Naison haana kuzombowana umwe mukadzi kubva
zvandabuda mumba make, hanzvadzi yake Mai Museto vakanditi
“ndakambokuudzai kuti handigone kukupupurirai kuti hamudanani naManyoni gore
riya, dai ndakamira kuti hamuhuri nhasi ndainyarira payi?” Chaive chokwadi
chavakataura asi ndaive ndisina kuzvironga kuti zviitike nenzira iyoyo uye
zvairamba zvichindidya.

Nyasha akawana nzvimbo paUniverity of Zimbabwe yekuita zvidzidzo


zveGynaecology and Obsterics, arikuchikoro ikoko akaramba achitya Mwari
nokuteerera. He was all a cute guy who had grown up in a broken home, mai vake
vaive varambirwa chihure akakura nababa chete. Baba vake neni kunyangwe
taigara pakasiyana uye takarambana zvedu asi mwana taimuda nokuti ndiye ega
chinhu chataive nacho, kushanda kwedu kwese all our profits was Nyasha’s spoil ko
zvaigonzi ndezvaani? Nyasha was a sore beneficiary of our toil, kuzoti asara negore
rimwe ari paUniversity akabva awana musikana waaida kuroora vakatanga
kufambidzana kusvika vatenderana kuti vaizoroorana kana vapedza dzidzo dzavo
sezvo vaizopedza pamwe chete. Nyasha akandiudza nyaya iyi ndikafara kuti
ndawanawo muroora asi ndaingonyara zvangu kuti muroora iyeyu ndingamudzora
sei kana kuti ndingamudzidzisa chii ini ndiri vamwene vakarambirwa kusagona
kuvhara makumbo avo? Musi waakauya kuzotiratidza muroora ndakasheedzwa
ndikaenda. Akauyawo neshamwari dzake kuti dzizotiona iye musikana akauya
nehama dzake, Nyasha aive asina kumboudza musikana wake kana mumwe munhu
kuti vabereki vake vaive vakarambana.

Musi iwoyo takasvika tikanyepera kunge tiri pamwe chete naNaison, nokuti Nyasha
aive atiudza kuti nyaya yenyu yekurambana mozosara morambana tabva pano isu
vamwe. Saka Naison neni takatanga kudanana futi zvekunyepera kuti mutambo
uyu upere apa vaive nemazuva maviri varipo pamba. Naison aitogonawo kunyepera
kwacho ini ndaive nenyadzi asi semunhu ariku actor ndaifanira kutombotanda
nyadzi dzacho, kuzoti nguva yokuvata yasvika zuva rekutanga ndakagadzirira
vanhu pokuvata asi nokuda kwehuwandu hwevanhu vamwe vaive vasingagoni
kuvata pamwe chete ndakapa nyasha makey ekumba kwangu kuti aendese vamwe
vanhu ikoko. Ini naNaison ndobva tapinda mumba make muya
mandakambosvikirwa ndiina fake prophet, tichingopinda mumba akabva atikwindi
kutsamwa. Ndikati nechemumoyo this could be my opportunity again to get back
this sweet man into my life, ndobva ndatanga kuda kutaura naye nyaya but it didn’t
work. He had changed his bed and blankets and the whole set up yebedroom rake
was new, akabva atora ma blanlets ake muwadrobe ndobva atanga kuwaridza pasi,
ndobva atorara pasi ipapo zvikanzi “vatai zvenyu pabed toonana mangwana”.
Akavata akatopfeka trousers zvake nechi t-shirt ini ndikati akajaidzwa munhu uyu
nhasi panoitika drama chete pano uye hapana zvaanombondiita pane vaenzi pano.
Ndakabva ndadzima light ndobva ndabvisa mbatya dzese zvadzo ndobva ndarara
pamubhedha paye ndichifunga zano, after close to an hour ndaitoziva kuti haasati
abatwa nehope ndichibva ndanyepera kuita tungonono kwe 10 minutes ndobva
ndakunguruka kunowira pasi paaive akavata. Ndichibva ndangoti zii ndiripo kunge
ndisina kuzvinzwa kuti ndadonha, iye ndobva angoti are ok? Handina kumbopindura
ndobva anyarara zvake, ndakabva ndatotanga kudhonza magumbeze kuti
ndipindewo imomo, ndobva aita zvekuchizondimutsa manje ndichibva ndanyepera
kuita sendamuka kubva kuhope huru chaidzo ndichitoshamiswawo kuti ndauya sei
pano.

Ndakanyatsorara ndiri musvo kuti tsoro yangu isanetsa kana yoda kubuda bhobho,
ndichibva ndatomugumbatira ndichiti kurikutonhora. Akandibvunza kuti ndiri
kumbodei chaizvo ndikamuti nditarise ndikuudze zvandirikuda, he turned to look at
me ndobva ndatanga kumukisa. He didn’t kiss back but he didn’t resist either, after
about five minutes of this ndakanzwa maoko ake avekunditsvaga ndobva ndaziva
kuti zvangu zvaita. We had a good night from that moment on, after about three
rounds of this takazomuka kubatidza light ndokutaura sevanhu vakuru. Varume
vanenge vanenge Naison vakapera chokwadi, he had spend so much time and
many years tracking my movements kuti aone kuti who would be my new man but
he found none, akanobata Abegnego mushure me one week tarambana aka dealer
naye achida information asi akaona kuti paive pasina chiripo I had just fallen prey
to a snare. That’s why it was easy for him to forgive me; our marriage began again
after such a long break. Ave mangwana ndakabuda panze vanhu vapedza kudya
ndokunoona Tete vemusikana waNyasha ndokutanga zvedu kutaura nyaya asi
ndaive nemufaro kani, ndaifarira kudzoreredzwa kwemarriage yangu pamwe chete
nokuti Nyasha aive awana musikana waanoda uye achifarawo naye. Takaudza
Nyasha our new status akafara kwazvo, ndikati vose vaindiseka kuti
ndakarambirwa chihure vachanyara. Ndaitonzwa kuti dai ndaita zvekuenda kune
vaya vemapepanhau kuti ndibuditswe imomo ndichitaura kuti I am married again
by the same man, Nyasha was a great connector.

Tete vaTehila (musikana waNyasha) vakataura zvinhu zvakadambura moyo wangu,


vakatanga kutaura zvokuti hadzvadzi yavo yaimbove mufundisi muguta muno
weRSB Christian Fellowship. Pakubvunzisisa ndopavakazotaura kuti Tehila aive
mwana waOverseer, uya akazvarwa mai vake naManyoni vachigara vese
akambopihwa zita rokunzi Mufaro. Ndakashaya zvokuita netsanangudzo iyi,
ndakasheedza Naison ndikamutsanangurira zvaive zvataurwa naTete vaTehila
zvikatirwadza kuti tingave muhukama hwakadai sei apa Tehila wacho aitove
mukuru kuna Nyasha ne three years. Takaona kuti hazvaizomira mushe kumberi
tikati ngatisheedze Nyasha timutsanangurire, kuti tione kana akabvuma kusiyana
nemusikana wake. Takagara pasi naNyasha tichitsanagura zvose zvaaive asingazivi
kuti tiuraye simba rake rerudo maari kumusikana uyu, ndapedza kutaura naye
Nyasha akandipindura achiti:

“Zvese zvamatsanangura hapana chitsva kwandiri, nezvose zvamaive musina


kundiudza nokuti maiti ndichiri mudiki ndakazvinzwa. I have my own ways of
looking for necessary information if I want to know things, ndinotenda namashoko
enyu ese asi imi hamugoni kundiparadzanisa naTehila nhasi, zvakaitika kuhupenyu
hwenyu hazvina kukonzerwa neni makazvikonzeresa mega imi vakuru saka please
do not pass down the button – stick of hatred to the generations of your children, I
will handle my home in a better way than you did yours. Kana iri nyaya yokuti
Tehila Mai vake vaive pfambi sezvamataura then our love has a lot in common
because we have audulterous mothers in common, makore aTehila ekuzvarwa
haana basa I can handle that. The greatest love I need from you now is your
support not your tear down, kana mukaratidza kuti hamusi kufarira wanano yangu
then today might as well be your last day to see us and I am sure you wouldn’t like
that. Kana muchida kunditsiura sevabereki vangu nditsiureyi nokundi batsira
pazvinhu zvinovaka not to reverse my progress that I have worked hard to build.
Do not just look at us and see two people in love, there are years of endurance
behind us that are invisible to your eye today, we have unbreakable bonds of
forgiveness that you didn’t see, kuchikoro kwakaitika zvakawanda zvandaive
ndisingagone kukuudzai panguva yazvaiitika and at some point I nealy lost my life
twice but she saved me because of love. The unbearable commitment that can not
be forgoten has cemented our union and it’s morraly repugnant to call all that
‘nothing’, Tehila akasvika pamaive musingakwanise kusvika when I was hanging on
a fragile cliff and lingerering on my last breath, I can’t say thanks to her for that
and wave a bye. She is a savior and I would rather stick with a controversial savior
than to please my compromised parental wish toward my matrimony. I love you
and I respect you so much Mom and Dad and I understand you are doing this out of
love but give me a chance. Imi nhasi wanano yenyu is back to track but you are in
your second or third chance, please give me one too.”

Takabva tapusa murume nemukadzi, Nyasha was a bit agressive in words but he
said only the truth. Takasara tisina kana remuromo kunze kwekutomutsigira, we
supported him and he got married, what a great couple they became. Takave hama
naOverseer zvachose nokuda kwevana vedu ava. Ini ndakabva ndarega misikanzwa
zvachose because ndaive ndaona zvakawanda muhupenyu uye murume wangu
kunyangwe akatora nguva refu kunditruster asi takachembedzana, Manyoni was
killed in a mob uproar paakabatwa red hand akarara nemukadzi wemunhu
kuHighfields. Ndakazoita imwe nhumbu yakave yekupedzisira nokuda kwezera,
yakabata zvisina kana mishonga yen’anga asi nokuda kwaMwari ndokuzvara mwana
wangu musikana Baba vake Naison vakamutumidza zita rokuti Makatendeka.

[END OF SEASON TWO]


BHUKU IRI CHIPO KUVAVERENGI VEBASA RAMALVIN BROWN, RAKANYORERWA
KUYEUCHIDZANA KUTI KUMIRIRA NGUVA YAMWARI NDIWO CHETE MUDZI
WEMUFARO, UYE KUTI MWARI VEDU NDIMWARI VANOPA MIKANA MUHUPENYU.
NDINOKUTENDAI NOKUVERENGA BHUKU PFUPI IRI, RAMBAI MUCHITSIGIRA BASA
RAKE.

COMMENTS, SUGGESTIONS AND DISLIKES SHOULD BE DIRECTED TO THE


FOLLOWING CONTACTS:

malvinbrown486@gmail.com

WhatsApp +27 74 707 1772

SEASON THREE is now available but for a price:


Send your $2 to +263 775 200 060

THEN SEND YOUR ECOCASH CONFIRMATION CODE TO:


+27 74 707 1772 FOR PURCHASE.

You might also like