You are on page 1of 343

PAMAKASIIRA NDIPO

PANDINOTANGIRA
(Free_Chapters)

NEW BOOK...NEW STYLE

Mwedzi mutete..Hokoyo.. Pamakasiira


ndipo pandinotangira....Ndiko kupera
kwemashoko aCHIMUSWE

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 1

*CHIMUSWE*
"Mudiwa ndinokumbirawo uterere
kutaura kwandave kutaura iyezvino__."

Uyu aive mudiwa wangu Runako


mwanasikana waMambo Moto. Mambo
Moto ndiye aive mambo wedunhu
redu. Runako akataura mashoko aya
achiratidza kuti ainge asina
kugadzikana, ini semunhu aitya
kurambiwa nemunhu wandaida
ndakatanga kufungira kuti zvimwe
ainge oda kundiudza kuti tichisiyana.
Kana zvirizvo mufunge
ndaizorwadziwa pasi rino rezuva,
naRunako uyu tainge tisina mazuva
matatu tapinda murudo.
Ndakatanga kuhutisa murumo wangu
ndokupindura ndoti.

"Taura tinzwe babie, ndakaterera


ini.__"

Runako pane kuti apindure akabva


angondimbundira ndokutanga
kuchema akadaro, ndakatotadza
kuziva kuti zvainge zviri kumboreva
chii? Apedza kuchema ndipo
paakapukuta misodzi yake ndokuti.

"Chimuswe ndave kutyira hupenyu


hwako uye ndiri kurwadziwa hangu.
Baba vangu vave kuzviziva kuti ini
newe tiri kudananana, kuti nditi
vakazviziva sei handisi kuziva. Nezuro
ndipo pandakanzwa votaura zvekuti
ndisiyane newe uye ndikave ndinorega
kusiyana newe vachatora danho rekuti
iwe neni tasiyana, chakundirwadza
zvekare ndechekuti mumakore
achatevera vanoda kuti ini ndinoita
mukadzi wemwana waMambo
Gwanda__"

Ndakapindwa nekutya nemashoko aya,


ndainge ndisina kumatarisira kubva
kune mudiwa wangu. Kuti ndive
ndinopindura manzwi akaramba
kubuda, ndainge ndakuita kunge
muromo wangu wanamiwa neurimbo.
Chandakangoita panguva iyi kuva
ndinobudisa maziso angu panze
akagoti aive makuru.

"Please mudiwa say something___"

Ndakaita kakuvhundikira sezvo


pfungwa dzangu dzainge dzave kure
kwazvo. Ndainge ndakutofunga kuti
ndaizoita sei? Uye ndianiko ainge
akabudisa chokwadi ichi kunaMambo.
Mambo ainge vakazviziva sei zvekuti
tainge tiri kudananana.

"Chimuswe hauchada kutaura here?


Wave kufungei zvekare"

"Wataura here mudiwa. Sorry hameno


zvandave kutofunga. Saka iwe wati
toita sei nhai Babie?"
Ndakaerekana ndamubvunza mashoko
aya ndaida kunzwa mafungiro ake.

Runako akatanga adzungudza musoro


ndiko kuzoridza tsamwa otaura achiti.

"Zvataurwa naBaba vangu


nezvemugotsi matsuro. Iwe ndiwe
wandakada uye tichidanana kusvika
denga ratinhira. Chandinoda kuziva
ndechekuti iwe unondida here, kana
uchindida zvose zvinenge zvakanaka
asi chandinoziva hupenyu rwako
rwunenge rwave pachitsiga, ini
zvekunoroorwa nemwana waMambo
Gwanda ndezvekupenga, iwe ndiwe
wandakada ndikava ndinokupa moyo
wangu. Pauri ndipo pane moyo wangu,
iwe handi unondidawo"

"Ehe ndinokuda babie. Zvino ndoita


sei? Ini ndakutya ini. Mambo Moto
ndinomuziva kuti chaanenge aronga
anenge atoronga chete, ndoita sei
babie handide zvekuparadzaniswa
newe mudiwa."

"Kana uchindida zvakanaka zvichireva


kuti iwe neni totangana
nematambudziko kutanga nhasi,
zvichaitika kutanga nhasi tinofanirwa
kuzvitambira mudiwa. Asi chave
kundinetsa ndechekuti ndianiko ataura
izvi kunaMambo. Aaah gara zviya uyu
Dhigo wakati ndibhurururu wako
here__?" Akabva ambomira kutaura.

"Ehe nditsika nditsekewo nekuda kwei


wabvunza izvozvo."

"Kungobvunzawo hangu kuda kuziva"

Mhinduro yake haina kundigutsa iyi


zvaive pachena kuti pane zvaive
zvakavanzika.

Ndakazogura runyararo rwainge rwave


pakati pedu ndotaura ndichiti.

"Saka zvoitwa sei nhai mudiwa, ini


ndinokuda nemoyo wese mudiwa."

"Ndichanoedza kugara navo pasi uye


kuvaonesa kuti iwe ndinokuda,
ndichazokuudza mhinduro._"

Zvainge zvataura Runako hazvina


kundipa kuti pfungwa dzangu dzive
dzinozorora, In fact zvakatowedzera
kuti moyo wangu uve unowwdzera
kubaikana, hupenyu hwangu ndainge
ndave kuhutyira hangu.
Takazombundirana ndiko
kuzoparadzana kwandakaita nemudiwa
wangu ndoenda kumba kwedu,
ndichingoparadzana ne mudiwa wangu
ndipo pandakaerekana ndasangana
naDhigo.

"Wangu kubva kunoona babie here


uku__" Akataura mashoko aya
mushure mekunge takwazisana, Dhigo
zvekuti ndaidanana naRunako aizviziva
sezvo ndainge ndakamutaurira.

"Ehe shamwari ndiko kwandiri


kubva__"

"Ndanga ndati zvimwe uchandinyepera


ndakuonai hangu makamira mose apo
muchiyemedzana haa and
munozodanana kwete
zvekunyepedzera wena in fact mwana
ano kuda iye, tinotonamata kuti
zvisagumira panzira, zvikarega
kugumira panzira tinoti makorokoto.
Haa ufunge ini ndatombobatwa
neruchiva kkkk kutamba zvangu__"
akatanga kuseka, ini ndakaramba
ndakarova maserious, kutaura kwake
ndainge ndisina kukunzwisisa.

"Aikaka asi watozvitora serious, ini


Runako handimude ini. Ndanga
ndirikujoka zvangu"

"Umm saka unoreva kuti wanga


wakandihwandira ini mababie wangu
here__" Ndakabvunza ndoda
kunzwisisa.

"Nhai akomana, inga ndati ndakuonai


wani. Hauna kunzwa kutaura kwangu
here dai ndanga ndataura ndichiti
ndakuhwandirai waitaura izvozvo. Pluz
anohwandira vanhu ndeari pamission.
But bhurururu zvivindi zvako zviri pai
iwe wakashinga wangu. Kana uri
mumwe chitosiyana hako naRunako
nekuti uchatangisa imwe hondo muno,
uchaurayisa vanhu vasina mhosva.
Haa kutamba zvangu newe Chemuswe,
rega ndimhanye pamhiri apo pandiri
kuda kunotsvaga chibage
chandatumwa na muchembere wangu"

Ndiwo akave mashoko ake


ekupedzisira ndiko kubva toparadzana,
ndakasara ndangobata muchiuno
mangu uku ndodzungudza
musoro..kuita kwaDhigo chezuva iri
ndainge ndisina kukunzwisisa,
ndakazosiyana nazvo ndopfuurira
kuenda kumba uko ndakawana Jedza,
Dzviti, Urimbo ayo aive mabhururu
angu andimirira, dzaive shamwari
dzangu zvekare uye nevatatu ava
taiwirirana zvisina akamboona, ehe
Dhigo nerimwe divi aive shamwari
yangu zvekare.

"Haa guys ko madii kufano kujima


kkkk inga munozviziva wani kuti kana
ini ndaenda kunoona babie rangu
kudzoka kwangu ndikare, anyway
ngatitangise hedu kujima"

Takabva tangoenda pajiming


ndokutanga kusimbisa nyama dzedu,
ini nemabhururu angu aya miviri yedu
yaive yakangofanana, taive takagwinya
asi ini ndini ndainge ndakazonyanya
hangu. Kujima uku ndiko kwaive kudya
kwedu, ini ndaingozvifarira hangu
semunhu aive munhu wemusindo
sindo. Ifact ndaisave munhu
wemusindo asi ndaive munhu aigona
kurwa pamwe chete nekushandisa
miseve, tapedza kujima
ndakaparadzana neshamwari dzangu
ndopinda muimba yekubikira umo
maive naAmai vangu avo vainge vari
kubika havo sadza remanheru.
Pamusha uyu ndaingogara naAmai
pamwe chete nechihanzvadzi changu
icho chaiita grade 7. Baba vangu
vainge vakafuga ravo rega asi chainge
chakavauraya neni wacho ndainge
ndisati ndachiziva chero face yavo
ndaive ndisingazive, amai vangu
vairamba kunditaurira chakauraya
Baba vangu vachiti ndaive mudiki
pazviri. Chaindinetsa amai vangu
vaisave munhu akasununguka uye
vaigara vakasuvara nguva
zhinji..kuona kwangu vairarama
hupenyu hwekutya, kuvabvunza
hapana kana chimwe chavainditaurira.

"Chikafu ndichochi Chimuswe ini


ndave kuenda kunorara"

"Masikati ano here nhai Muchembere


apa musina kudya chikafu."

"Ndambodya ini mwanangu


usandinzwire hako tsitsi."

Vakataura izvi ndokubuda kwavo


ndakasara ndotora chikafu asi
chakaramba kudzika ndofunga
mashoko andainge ndataurirwa
naRunako ndiko kuzovharira chikafu
chiya, ndakatozobudiswa
mundangariro dzangu nekutaura
kwakaita Chirinda hanzvadzi yangu oti.

"Asi mukoma chimbondiudzaiwo kuti


chii chinomboitika kuna Mhamha.
Nhasi vanga vachingoyeredza
misodzi__"

Ndakavhunduka ndokupindura ndoti.

"Heee wati muchembere vanga


vachichema?"
"Ehe vanga vachichema ava,
kutovabvunza hanzi handisi kuchema
maziso angu ndiwo ari kurwadza,
kwanga kuri kungondinyepera hako.
Vanga vachichema vachiita kududza
manzwi vachitukurira midzimu haaa
hameno ini ndaita mutete pazviri. Ini
Mhamha handitozive kuti
vanombozvifambisa sei dzimwe nguva
vanoridza zitsamwa zvekuti kana riri
benzi rinogona kudzana rikapupurudza
richiti pano paita redhio.__"

"Chimbomira kuita zvemafunnies


Chirinda, ko wadii kundiudza izvozvo
mushure mekunge ndasvika pano
pamusha."
"Mukoma Chemuswe musaita sekuti
izvi zvandataura zvitsva kwamuri imi"

Ndakabva ndobata shaya yangu


ndofunga kure. Pachokwadi ndainge
ndisisina kugadzikana, ukuwo Runako
ukuwo Amai nyaya dzacho dzaive
dzine chinodaro. Ndakazosiyana nazvo
ndoenda kunorara ndichingopinda
mumachira ndakatanga kurota
ndichiita kunge taive padare asi padare
apa taingove ini chete nemurume uyo
aive akagara pachituro chirefu,
ndakanzwa otaura achiti...

"Chimuswe tora tsvimbo iri mudunhu.


Ndiwe Mambo. Dunhu nderako. Vanhu
ndevako. Ndiwe Mambo Chimuswe,
ndati ndiwe Mambo Chimuswe, ndiwe
muridzi wedunhu, dunhu
haringatongwe neasiri weropa iwe
uripo................"

_________________________________

End of Chapter.

........
This is the beginining. Ichi chinyakare
chizvino zvino, slang irimo imomo.
Kana zvanakidza chingoti ndikoko
ndikoko naKule C ndoziva kuti book
vanhu varida... Support munyori
weChidiki. Am not the best but am
trying my best..ndoti zvekare
vanondisimbisa kuti ndirambe
ndakashinga may the almighty bless
you nekuti dzimwe dzenguva
ndinombotsamwa zvakapfurikidzisa
zvekuda kutosiya zvekunyora
....painfull
https://chat.whatsapp.com/B8nHhflOS
q13or1rwnAzAd
.
.
.
https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/

###Moyo wangu dzikama..vati


ndirikunyepa kuti ndikubirwa book
bhoo..

https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/ kule c novels
facebook page, mamwe manovels
ariko uko manya unozvionera

https://chat.whatsapp.com/B8nHhflOS
q13or1rwnAzAd

*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 2

*CHIMUSWE*
"Chimuswe ndati uri Mambo, ndiwe
muridzi wedunhu chikomana...."
Murume uya akaenderera mberi
nekutaura, ini ndainge ndachiterera
mushoko ataiurwa nemumrume uyu
uyo wandaisaziva kuti aive ani. Chiso
chake chaive chitsva kwandiri.
Murume uyu apedza kutaura m
akaerekana angonyangarika ini ndisina
kubvunza zvandaida kunzwisisa
maringe nezvainge ataura. Kutaura
kwake ndainge ndisina kukunzwisisa,
ndakave nemibvunzo mizhinji kwazvo
asi wekubvunza ndiye ainge asisipo
sezvo murume uyu ainge angoerekana
angonyangarika, ndakatoedza
kunjevesa njevesa maziso angu
ndofunga kuti ndaizomuona amira
kune rimwe divi asi zvakave zviroto.
Ipapo ndakapindwa nekutya.

Ndakazoerekana ndapepuka kubva


kutsi kwehope ,hana yangu ndiyo
yainge yave kurova chero iyo ngoma
yekumagadziro yaisara pasi.

Ndapepuka kudaro ndakatanga


kufemera pamusoro, hope dzandainge
ndabva mukurota dzainge dzandityisa
uye kundivhundutsa. Ko murume uyu
wandainge ndarota aimbove aniko?. Ini
chaiye kuita Mambo here? Ko dunhu
racho ririkunzi nderangu nderipi?. Ko
Mambo wacho ari kunzi haasi weropa
ndeupi?.Mibvunzo iyi yainge yave
kutenderera mune dzangu pfungwa
asika mhinduro yakandigutsa
ndakaishaya.

Ndakasiyana nezvekufunga zvehope


dzangu ndiko kuzomuka ndogadzira
pamubhedha sezvo kunze kwainge
kwatochena, ndapedza kuita izvi
ndakabuda muimba yangu yekurara
ndokubva ndakasangana nevangu
amai Mandiuraya avo vainge vave
kutsvaira chivanze, chihanzvadzi
changu Chirinda ndiye aisuka ndiro ari
kuchitanganare.

"Mamuka here Mhamha" Ndakataura


mashoko aya ndovamutsa. Vakamira
kutsvaira ndokupindura voti.
"Ndamuka zvangu mwanangu. Ko
kuzononoka kumuka hanzii. Warwara
here nhai?" Vakadero Amai.

Ndakatanga ndatura mafemo, Amai


vangu vainge vataura chokwadi.
Hongu ndainge ndisiri kurwara asi
chezuva iri ndainge ndanonoka
kumuka zvichienzaniswa nemamwe
mazuva. Ndakatanga kukwenya
musoro wangu ndainge ndofunga
kuvaudza zvandainge ndarota.
Ndakazvidzora hangu asi semunhu
ainge asisina kugadzikana
ndakazozvishingisa ndiko kuvaudza
hope dzandainge ndarota. Zvimwe
kuda vaizondiudza zvadzaireva, ini
ndainge ndashaya shumo yehope
dzangu.

Ndapedza kuvataurira hope dzangu


vakaratidza kushamisika ndiko
kuzokanda mutsvairo wavainge
vakabata pasi. Ndakanzwa votaura
vachiti.

"Watii nhai Chimuswe. Wati warota


ani?" Vakandibvunza Amai vangu
vachiratidza kuvhundikira izvo
zvakatondivhundutsa neniwo wacho.
Ndakatanga kutozvituka kuti
chandainge ndavaudzira zvehope idzi
chaive chiiko.

"Hamuna kunzwa kutaura kwangu


here?" , Ndakabvunza sezvo ndainge
ndanyatsoona kuti vazvinzwa.

"Ndakunzwa zvangu . hope idzodzo


dzitori nechirevo. Ivo vanhu vakafa
vanoramba vachidzoka kuhope kuti
zviite seiko, havazive kuti kunenge
kwave kutangisa zvirere" , Vakadero
amai vangu vachiratidza kuti pfungwa
dzavo dzatova kure.

"Muchirevera chii nhai Mhamha" ,


Ndaka bvunza sezvo ndainge ndisina
kunzwisisa kutaura kwavo.

"Watozvinzwa zvauriwe ugotevedzera


idzo hope dzawarota mwanangu. Ini
ndichiri kuda kurarama hangu uye iwe
naChirinda ndinoda kuti murarame"
Vakadero amai vangu vachiratidza
kurevesa pachiso chavo.

"Mhamha zvamuri kutaura handisi


kumbozvinzwisisa ini." Ndakapindura
ndatovhiringika pfungwa dzangu. Amai
vangu vakanditarisa kumeso kwangu
uku vatsvukisa maziso avo.

"Zvandiri kutaura zviri kubva pane idzo


hope dzawarota mwanangu"
Vakapindura vakanditarisa chiso.

Ndakavhunduka ndokutura mafemo,


ndotaura ndoti.

"Asi munhu wacho anga achinditaurira


izvi munomuziva here, ini ndatadza
kuziva chiso chake hangu. Uye zvekare
zvataurwa nemurume uyu
ndezvechokwadi here? Mhamha
kutaura kwenyu kunoratidza kuti pane
zvamakandivanzira uye pane zvamuri
kundivanzira zvandinofanirwa kuziva.
Inga ndakura wani, ndatove murume
akakwana kana ndiri ndebvu ndave
nadzo. Kana pane zvamuri
kundivanzira mhamha
ndinokumbirawo kuti muve
munonditaurira." Ndapedza kutaura
ndakatanga kutambisa muromo wangu
wepasi.

Amai vangu pa nekuti vave


vanondipindura ndakaona votora
mutsvairo wavainge vamboisa pasi
ndokuenderera mberi nekutsvaira
chivanze chavo.

"Mhamha ndinokumbirawo
munditaurire zvamuri kundivanzira__"
Ndakataura ndichiinda mberi
kwavaitsvaira.

"Hapana zvandiri kukuvanzira


mwanangu. Kana nguva yasvika yekuti
ndive ndinokuudza ndichakuudza
mwanangu. Parizvino ndinoona kuti
hana yako haina kusimba
mwanangu__" Vakabva vaita
kakuvhundukira votarisa kumusoro
uko kwaive nemuzinda waMambo Moto
ndiko kutanga kuyeredza misodzi,
vachiyeredza misodzi vakaridza
tsamwa yandakanzwawo neni, handina
kuzovabvunza sezvo ndainge
ndakutoona kuti ndainge
ndakuvashungurudza. Sekuona
kwangu pane zvainge zvakavanzika
zvavaisada kunditaurira, uye hope
dzandainge ndarota manheru acho
dzaive nechinodaro. Kana dzaive
dzisina chinodaro Amai vangu
havaizovhunduka mushure mekunge
ndavaudza nezvehope idzi......

*RUNAKO*
Chimuswe ndaimuda nemoyo wangu
wese, uye ndainge ndakazviudza kuti
ndaizoparadzaniswa naye nerufu.
Zvekuti Baba vangu vainge
vasingamude uye zvekuti vaida kuti
ndizoororwa nemwana waMambo Moto
ndaisazviterera, moyo wangu wainge
wakaperera pana iye Chimuswe.
Chaizouya chaizoona ini.

"Runako urikudikwa kudare naBaba


vako" Vakadero Amai vangu mushure
mekunge vapinda muimba yangu
yekurara, ndaitove mumachira chaimo
ndofunga wangu mudiwa.

"Hanzi ndodei nhai Mhamha?" ,


Ndakatobvunza hangu ndichiratidza
kusava nehanya nezvavainge vataura.

"Iwe mwana iva netsika, unobvunza


mubvunzo iwoyo kwandiri kuti ndini
ndinoda kutaura newe here? Iwe
chingoenda chinyararire imwe nyaya
ndakanzwa kuti iwe urikudanana
naChimuswe. Zvako zvivindi zvei
zvekudanana nevavengi vedu_."
Vakataura mashoko aya vachiratidza
kuti vanditsamwira, ndakabva ndati
kwarakwashu kumuka pandainge
ndakarara ndokupindura ndoti.

"Vavengi venyu...." Ndakataura


mashoko ndichiita zvekukanuka,
Kutaura kwaMai vangu kwainge
kwandivhundutsa.

"Aaah ehe vavengi. Vanhu vasiri


veclass yedu kwatiri vavengi vedu.
Vasiri vavengi vedu ndemamwe
Madzimambo. Rumwe rudhende rwese
vavengi vedu.Wotoona kuti
warambana naiye Chimuswe
wandakanzwa naBaba vako kuti
urikudanana naye, nezuro vakarara
vachiita kufemera mudenga chaimo.
Ndinoona kuti ndiyo nhau yavanoda
kukurukura newe iyezvino." Vakadero
Amai ndokutanga kupfinyamisa
kumeso.

"Kana iriyo nhau yacho handisi


kuzoenda kudare kwacho. KuDare
kwacho kunouya kuno... Asi Mhamha
musadaro panhau iyi munofanirwa
kuva munotomirawo neni
semwanasikana wenyu zvino
nekutaura kwenyu ndatya nako hangu.
Zvichireva kuti zvekuti ndinoroorwa
nemwana waMambo Gwanda
makatozvibvumira here , ini Chimuswe
ndinomuda hangu zvekuti muvengi
wenyu ndikoko ndikoko" Ndainge
ndave kuda kutochema.
"Izvo nde zvako, ndinoda kuzviona kuti
rudo rwenyu ruchasvika kupi. Mambo
Moto anova Baba vako ndofunga
hausati waziva hunhu hwavo. Ini ipapo
ndinomira navo nekuti handingakuregi
uchinodyidzana nemuvengi
mwanangu, chiita uende kuna Baba
vako varikuda kutaura newe mashoko
anokosha"

"Aaah eoi regai ndiende kwacho"


Ndakataura izvi ndaona kuti ndaigona
kuzotsunyiwa manzeve angu. Mhamha
vangu ndaivaziva, vaive munhu aisada
zvisina basa, pluz izvi zvaive nebasa
hama dzangu.

Ndakabhendanisa makumbo angu


ndoenda kudare uko kwaive naBaba
vangu, ndiri munzira ndaingoyeredza
misodzi dzamara ndasvika. Ndasvika
kudare ndakavamutsa ndokupindura
voti.

"Ndamuka zvangu mwanangu,


ndakusheedzera ndichidakunzwa kuti
wave papi nenhau yako naChimuswe,
ndiro zuva rangu rekupedzisira kuva
ndinotaura newe izvi. Kutanga nhasi
ne mhinduro dzauchandipa ndichatora
matanho makuru chaiko, chero akave
anorwadzisa moyo wako ndikoko.
Ndiudze kuti wave papi ne nyaya
yandakakuudza yekuti usiyane
naChimuswe" Vakataura mashoko aya
vanditarisa chiso changu.

Ndakapindura ndoti.

"Ndichiri kumbofunga Mambo wangu"

"Hazvisi zve kufunga izvi, unofanirwa


kungondiudza kuti iwe hauchamude
then nyaya yacho yobva yapera, nokuti
kuramba uchiti unoda Chimuswe
kunenge kuri kuisa Chimuswe
pachitsiga, Chimuswe nemhuri yake
ndiye achasangana nematambudziko
saka kwaunenge waita kunenge kuri
kuvasungirira, mushure mekunge
ndaziva kuti urikudanana naChimuswe
ndingadai ndakatora danho guru
kwazvo asi ndakave ndinozvidzora
hangu ndichiti nditange ndataura
newe"

Ndakanzwa misodzi yangu yoda


kubuda asi ndakazvidzora hangu,
ndaisada kuisa Chimuswe
mumatambudziko. Chokwadi chekuti
ndaimuda ndini ndaichiziva hangu.
Ndakazvishingisa kutaura ndokuti.

"Sekutaura kwenyu Chimuswe


ndakusiyana naye"

"Hauchiona manje.Ndinonakidzwa
nekutaura kwako asika kubvira nhasi
uchava ne vanhu vachange vachitarisa
mafambiro ako uye ndikanzwa kuti
muri kusangana naChimuswe,
handitaure naye asi zvaikozvino
Chimuswe ndiye wandichapedzerana
naye, ndiko kupera kwemashoko
angu"

Ndakavasiya vagara padare, mushure


mekunge ndabva pakasarawo
posvikawo Dhigo..Mukomana uyu
mazuva aya ainge ari kugara ari padare
naMambo uye zvairatidza kuti vainge
vave nekakuwirirana, kuti nditi
vaiwirirana pane dzino nyaya
ndakadzishaya. Ndakada
kumbohwandira ndoda kunzwa
zvaizotaurwa nevaviri ava ndiko
kuzozvidzora ndoenda muimba yangu
yekurara umo ndakanosvika
nekutanga kuchema ndirimo....

*End Of Chapter*

.
.
Kule c birthday around the corner apo
achange achikwanisa 19
years...Support munyori wechidiki
ndikoko ndikoko na Kule C kana
kumbozvisvunirira ahoyi

*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*
STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 3

*RUNAKO*

Ndaenda muimba yangu yekurara


ndakatanga kuchema ndirimo. Zvinhu
zvinorwadza kutaurirwa kuti rambana
nanhingi iwe nhingi wacho uchimuda
nemoyo wese. Wangu Chimuswe
hakuna mumwe wandaizoda kunze
kwake uye ndainge ndakazviudza kuti
ndiye aizondiroora. Kunyangwe hazvo
Baba vainge vataura zvekuti ndive
ndinosiyana naye izvo ndizvo zvainge
zvisiri kuzoitika. Ndainge
ndangobvumirawo kuti vasave
vanotora matanho avainge vataura, ini
muhana mangu ndini ndaiziva
chokwadi. Baba vangu ndaizogara
navo pasi nerimwe remazuva
ndovaonesa chokwadi, zvekuti ndive
ndinosiyana naChimuswe
zvaindiremera hangu.

Ndakazosiyana ne kuchema
ndokutanga kupukuta misodzi yangu
ndokutanga kufunga kuti ndaizoita sei
kuti ndive ndinosangana ne mudiwa
wangu. Baba vangu vainge
vanditaurira kuti pane vanhu vaizoona
mafambiro angu, ichi ndaitoziva kuti
vainge vataura chokwadi.
Ndakazviudza kuti chaiuya chaizoona
ini. Ndainge ndazvipira kurwira rudo
rwangu naChimuswe, ndaisada
zvekare kunoororwa nemwana
waMambo Gwanda, zvino zvandainge
ndave nevanotarisa mafambiro angu
Chimuswe wacho ndaizomuona kupi
nhai Jehova. Ndakatanga kutaura
ndega ndokumbira ari kumusoro kuti
ave anondivhurira nzira.

Ndakaerekana ndasimuka
pamubhedha ndokudzokera kudare
uko kwandainge ndabva, Dhigo
ndakamuwana achiripo achitotaura
dzepasi chigare ne vangu Baba.

"Baba ndinokumbirawo kumbotaura


nemi zvishoma shoma." Ndakataura
mashoko aya ndarereka hwangu uso.
Ndakaona votarisa Dhigo uyo akabva
angosimukawo ndiko kutisiya tave
vaviri izvo ndaidawo.

"Taura tinzwe chimhandara changu"


Vakadero Baba vangu vanditarisa.

"Baba ini kutaura chokwadi Chimuswe


ndinomuda hangu. Uye matanho acho
amurikuda kutora torererai ini.
Chimuswe nemhuri yake havana
mhosva uye havana chavakatadza,
zvose zvamuchada kuzoita
kunaChimuswe ivai munozviita pandiri.
Ini Chimuswe ndinomuda hangu"
Ndakazvishingisa kutaura mashoko
aya, ndakaona Baba vangu
vashandusa chavo chiso. Maziso
ndiwo ainge atsvukiswa, kunyangwe
iye aputa mbanje aisara pasi.

"Iwe Runako wapindwa nei?


Unondiudza kuti watochinja mafungiro
here? Inga wani pawabva pano wasiya
wataura zvekuti iwe Chimuswe
hauchamude"

"Ndanga ndirikunyepa zvangu.


Chimuswe ndiye munhu wandinoda
Mambo wangu. Nemhakayeiko muri
kuda kundirambanisa nemunhu
wandinoda nhai Baba. Munoda kuti
ndizofarawo rini hamunzwe hana
yenyu kurova here" Ndainge ndakuda
kuchichema zvino.

"Aikaka, inga ndakakuudza wani kuti


iwe ucharoorwa nemwana waMambo
Gwanda, zvekuti kuna Chimuswe ibva
watozvibvisa mune dzako pfungwa.
Zvichireva kuti iwe ukaramba wotaura
rekuti unoda Chimuswe ndave kutora
matanho naiye Chimuswe kuti ave
anosiyana newe, kana iye Chimuswe
asina kusiyana newe achaona huipi
hwangu hwose. Ndofunga unozviziva
kuti kana ini ndatsamwa chero munhu
mupenyu anofema ndinogona kudya"
Vakatanga kuhwaira hwaira, ini
ndakapukuta misodzi iyo yainge
yorerera nematama angu
ndokupindura ndoti.

"Chimuswe anondida Baba papi pacho


paachasiyana neni ini ndisina kusiyana
naye, kana ini ndasiyana naye ndokuti
ave anosiyana neni Mambo wangu.
PanaChimuswe ndipo pakamera moyo
wangu..."

Ndakavasiya vangobata muromo wavo.


Ndainge ndaedza kuvaonesawo uye
kuvataurira chokwadi. Chimuswe ndiye
wandaida nemoyo wese,

Mushure mekunge ndabva padare


ndakaenda paitamba zvivan'inina
zvangu Rudo naRupfumo. Ini ndini
aive wekutanga kuchitevera Rupfumo,
uyu Rudo ndiye ainge ari
wekupedzisira.

Ndakazobva paitamba vaviri ava


ndotora nzira yekuenda kumichero
yemisvazva iyo yandaifarira, ndaida
kumbozorodza pfungwa dzangu. Uyu
Chimuswe ndiye wandaizoona kuti
ndasangana naye zuva iri. Ndaida
kutaura naye zvainge zvataura Baba
vangu uye ndaida kugara naye pasi
toronga zvinobuda, ndiri munzira
kuenda kumichero yangu ndipo
pandakasangana naDhigo.

"Hesi kani Runako..." Akadero Dhigo


achida kundikwazisa.
Ini ndakaita kunge ndainge ndisina
kuzvinzwa hangu. Dhigo ndainge
ndakamutsamwira ndaingove
nekakumufungira hangu.

"Aaah asi Chimuswe ndiye wauri


kufunga. Manje zviri kupera manje
manje. Ini ndini ndichazvipedzisa, iwe
chaiye kudananana naChimuswe ini
ndiripo here.?"

Ndakamira kufamba ndiko kumutarisa.

"Zvichireva kuti ndiwe wakataurira


Baba vangu zvekuti ndinodananana
naChimuswe here?"

"Ehe ndini. Kwazvo nehasha. Izvi


ndakazviitira kuti iwe neni tive
tinozodanana Runako"

Ndakarinzwa tsamwa ndokuti.

"Unongomisa kusviba. Ini manje


kudanana newe. Rega ndikuudze ini
ndiri waChimuswe"

"Zvino akave anourawa uchaita sei?"

"Akaurawa nani."

"Unoti mukaramba muchidanana chii


chichaitika. Baba vako ndakanzwa
vachitaura kuti mukaramba
muchidanana Chimuswe nemhuri yake
vari kuzoparadzwa sezvakaitwa
sodhoma negomora"

Dhigo akataura mashoko aya


ndokutanga kuseka. Ini handina
kuzomupindura, chaingondifadza
ndechekuti ainge azvifumura ega, ini
ndainge ndakambomufungira hangu
kuti ndiye akabudisa chokwadi.
Ugoona munhu wacho aive bhururu
waChimuswe, regai zvichinzi rwumwe
rushamwari nderwekutaimirana. Zuva
rakasvika pakudoka ndisina kuva
ndinosangana naChimuswe uyo
ndaida kusangana naye..

*CHIMUSWE*

Tainge tichangopedza kudya


kwemakuseni apo ndakaona machinda
aMambo opinda muimba yedu
yekubikira, uku asina nekugogodza.
Varume vatatu vakangosvika
nekundibatirana, ndakaona Mhamha
vangu vachiratidza kuvhunduka uye
kushamisika nezvainge zviri kuitika.
Machinda aya haana zvaakataura
kunze kwekunditora ndokuenda neni
kudare raMambo. Amai vangu ndivo
vakasara voita kuchema zvaipisa
Tsitsi.

Ndasvika kudare kuya ndakangoita


zvekusundidzirwa ndiko kunowira
mumakumbo aMambo.

"Magona Machinda angu ehondo. Uyu


ndiye wandichadzidzisa chidzidzo kuti
ini ndinonzi Moto. Nditori moto chaiwo.
Chokutanga mhosva yako handi
unoiziva here Chimuswe" Mambo
vakandibvunza mashoko aya neinzwi
gobvu gobvu, ini ndakapindura
nekuderera ndoti.

"Mambo wangu mhosva yangu


handiizive. Asi mukava munonditaurira
ndinogona kuiziva hangu"

"Mhosva yako ndeyekudanana


nemwanasikana wangu. Unorambirana
nazvo here?"

"Ndinobvuma Mambo wangu."


"Heya kuno kudare ndakusheedzera
kuti ndikuudze mashoko aya. Kana
uchida kuti iwe ne vabereki vako
murarame chisiyana nemwana wangu.
Ndiwo mashoko angu aya. Muzuva
ranhasi ukava unoonekwa uine mwana
wangu tichatangira ipapo tichienda
kumberi. Amai vako vachafa rufu
runorwadza, iwe zvekare uchafawo
rufu runorwadza, ndiko kupera
kwemashoko angu. Ndinofunga
wanzwa kutaura kwangu. Ungaita
mubvunzo here"

"Handina mubvunzo Mambo. Zvose


zvamataura ndazvinzwa uye ndichaita
sezvamataura. Semunhu anga
asingazive kuti mwana waMambo
haabvumirwe kudanana naye
ndinokumbirawo ruregerero uye
zvekare Amai vangu musave
munovapa mhosva panyaya iyi. Kana
uri mutongo ngaubate ini chete"

"Hapana mutongo wandichakupa asi


ndangoti ndikuzivise chete. Kutanga
iro zuva ranhasi ukaonekwa uine
mwana wangu chabhenda chabhenda,
ungachienda zvako"

Ndakasimuka ndokudzokera kumba


uku ndofungisisa kuti ndoita sei?
Nyaya iya yainge yakuchida kuchikora
muto zvino. Ndasvika kumba
ndakawana Amai vangu vachiita
kuchema zvaipisa tsitsi.
"Wadzoka mwanangu. Ndave kutyira
hupenyu hwako ini. Ko chiiko
chakakupinda kusvika pakudanana
nemwana waMambo. Unoda kufa
mafiro akaita mumwe weropa rako
here nhai? Wapindwa neiko nhai
mwanangu. Unomboziva here kuti
unenge waisa hupenyu hwedu
pachitsiga, mwanangu ndiudze kuti
kubva nhasi uchasiyana nemwana
waMambo." Amai vangu vakataura
mashoko aya uku vandimbundira
vachichema. Ndakatadza kuziva kuti
ndoita zvipi, hongu Runako ndaimuda
asi nyaya yacho yainge yakwira
makata. Amai vangu zvekare ndaisada
kuvaona vachichema. Amai vangu
ndakavavimbisa kuti ndaizosiyana
naiye Runako wacho. Zvechokwadi
ndaizosiyana naye.........

*End Of Chapter*

.
.hameno kana zvasvika zvichinakidza,
ndine bp chaiyo
https://chat.whatsapp.com/B8nHhflOS
q13or1rwnAzAd

https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/

*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*
STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 4

*CHIMUSWE*
Mazuva akapindana akave mazuva
matatu ndabva kudare. Ndakange
ndakagara mumadziro eimba uku
ndakabata shaya yangu. Pfungwa
dzangu dzaive kure kwazvo. Ndaifunga
wangu Runako, ndakange
ndachipererwa. Ndaitomboedza kuva
ndinomubvisa mundangariro dzangu
asi ndaingoramba ndomufunga.
Ndainge ndisingachade kufunga nezva
Runako sezvo ndainge ndakazviudza
kuti handichada nezvake. Uku
kwaingove kufunga asi mumoyo
ndainzwa uchindiudza kuti Runako
ndewako. Hongu aive wangu asi
ndaifanirwa kutoona kuti ndave
ndinosiyana naye. Hupenyu hwaAmai
vangu ndaisada kuhwuisa pachitsiga.
Mambo Moto ndaiziva hunhu hwake
uye ndaimuziva kuti chaanenge ataura
anenge atotaura chokwadi, uye
zvekare aive munhu aive asiri
wekutamba naye. Kutonga kwake
kwaive kusina kana nwkururama. Aive
Mambo aive nehutsinye,
ndisingakamwe rimwe gore apo
paakabaya imwe chembere nepfumo
mushure mekunge chembere iyi
yataurawo maonero ayo maringe
nekutonga kwaaita.

Ndangariro dzangu dziri kure kudaro


ndakaona Dhigo osvika pamusha wedu
ndiko kuzouya pandainge ndakagara
kwaakaita,

"Ukuzvigona sei nhai bhururu?__"


Akataura izvi ondikwazisa ndiko
kuzogarawo mumadziro mandainge
ndakagarawo.

Ndakapindura ndoti.

"Ndiri nani zvangu. Kurisei


Shamwari.?"
"Ini ndiri nani zvangu. Ko
nemhakayeiko kuratidza kusuruvara
pachiso. Asi pane dzawasangana
nadzo here. Kana dziripo ungave
unonditaurira here, inga wani zvinonzi
kutsva kwendebvu varume
vanodzimurana. Ndokusaka ini ndiripo
Dhigo. Ndiripo pakukubatsira
paunenge wawirwa nedambudziko__"

Dhigo akataura mashoko aya nenzwi


riri pasi pasi. Handina kuva
ndinopindura, chandakaita kubata
shaya yangu neruoko rwerudyi
ndokubva ndatarisa rutivi. Hongu
ndaive nezvinondinetsa asi ndaisada
kuva ndinoudza mumwe munhu
zvandainge ndiri kufunga.
"Haaa kungoti nhasi ndinenge ndiri
kurwara bhururu."

"Izvozvo chete here? Kana kuti uri


kundinyepera hako, zvisinei mm ko
ndambonzwa kuti wambosvika kaah
kudare uko. Kwanga kuri kutsvene
here kana kuti Mambo pane zvavanga
vachida kutaura newe, zvichida iri
nhau yekudanana kwako naRunako."

Akadero Dhigo ndiko kutanga


kunyemwerera, ini chandakaita
kumutarisa ndoshamisika pamwe
chete nekuvhunduka. Kuenda kwangu
kwaMambo painge pasina akandiona,
ko izvi Dhigo ndiani ainge akamuudza.
Ndakabvunza ndotaura ndichiti,.

"Dhigo zvauri kutaura izvi wazvinzwa


nani?"

"Iwewe so. Unoti pane chakavanzika


chisingabude here. Pamusoro pazvo
izvi hazvina kuvanzika kaah nhai? Dai
zvanga zvakavanzika waizoenda pakati
pehusiku. Zvino wave unoenda
masikati machena kunze kwakati
hweru..miti dzaunoona idzo dzine
maziso mumwe wangu."

Ndakaregedza shaya yandainge


ndakabata ndokutarisa Dhigo
ndashandusa chiso, ndiko
kumupindura ndoti.

"Haa kana zvirizvo tinoti ose machena.


Kwanga kuri kutsvene hako. Mambo
vane manzwi matatu mana avanga
vachida kutaura neni."

"Maringe ne nyaya yaRunako kaaah?"

"Kwete"

"Kuvanza ndiko kuita seiko nhai


bhururu. Zvino ukave unondivanzira
uchafira murima nekuti ini ndichava
ndinorega kukuudzawo zvakakosha
zvandinenge ndichiziva. Mambo vave
vanokutaurira kuti urege kudanana
naRunako. Kana ndanyepa unotaura.
Vataura izvi vati iwe ukazoonekwa
wodanana naRunako urikuzofuga rako
wega pamwe chete nemhuri yako, idzo
dziri chokwadi Mambo Moto
ndinomuziva zvangu. Uye vakawanda
vandinoziva vakafa mafiro awaigona
kuzosangana nawo. Vamwe vacho
ndeveropa rako"

Hana yangu yakatanga kutinhira, kana


riri ziya rakatanga kuteuka nemuviri
wangu wese. Kutaura kwaDhigo
kwainge kwandityisa hangu, uye
mashoko ainge ambotaura ainge
ambotaura naAmai vangu. Vamwe
veropa rangu vapi, uye vainge vakafa
nenzira ipi? Akavauraya wacho ari ani.
Zvichireva kuti ini pane zvimwe
zvandainge ndisingazive, ichocho
chaive chokwadi ini ndaive murima.

Dhigo aona kuti ndavhunduka


ndakanzwa oti.

"Haa waratidza kuvhunduka shamwari


asi chokwadi ndicho chandataura.
Ndisingapedzi nguva yangu rega
nditaure ndoti, zvataura Mambo Moto
ndezvekupenga izvo. Iwe handi
Runako unomuda here? Izvi
ndinozviziva kuti unomuda, asi
muchadanana seiko iwe waudza kuti
mukave munoonekwa muri mose pa
chaitika zvisati zvamboitika pasi rino
rezuva. Ini sabhururu wako ndine imwe
nzira yandinogona kushandisa kuti imi
muve munoonana, ini ndiri bhururu
wako ende nzira iyi haina zvigozhero
mukati. Iwe Runako unomuda kaah"

"Ehe ndinomuda, ndinomuda


mwanasikana waMambo, nemoyo
wese. Asika zvino ikozvino chero
ndikave ndinomupa handina chekuita
sezvo Mambo ataura kutaura kwake"
Ndakaerekana ndavhotomoka,
ndakatozobata muromo wangu
mushure mekunge ndapedza kutaura
mashoko aya, ndaifunga ndichiti ndiri
kufunga izvo ndaita zvinhu zviviri
panguva imwe chete kufunga
nekutaura.

"Ndafadzwa nekutaura kwako.


Mumazuva anotevera ndichaita kuti
uve unosangana naRunako, nhasi
hazvichaita sezvo kunze kwave kuda
kunodoka. Usave unovhunduka hako.
Ikoko ndiko kubasa kwangu
Chimuswe"

Handina kuva ndinopindura. Chokwadi


ndechekuti Runako ndaimuda,
zvichida Dhigo ainge aine nhau
yakanaka. Ndaigona kuva ndinoita
dzungu iyo nhau iyi yaigona kuti ive
inondibetsera kuti ndionane ne
mudiwa wangu. Ndakazobvumirawo
ndiko kuzoparadzana kwandakaita
naDhigo oenda kumba kwake.
Mushure mekunge abva ndakasara
ndopinda muimba yekubikira umo
maive naAmai vangu, Amai vangu
vainge vari kumenya nzungu.

"Dhigo anga achidei nhai Chimuswe,


kana anga achiva anokunyengedza
kuti udzokerane naRunako ibva
wasiyana nazvo. Dhigo heya Baba
vake zvekare heya. Ibva wasiyana
nazvo mwanangu. Ini ndichiri kuda
kurarama, nhau yaunenge watangisana
nayo magumo ayo rufu" Vakadero
Amai vangu vamira kumenya nzungu,

Ndakatanga ndatura mafemo


ndokupindura ndoti

"Amai mati Dhigo naBaba vake kuita


sei kwavo."
"Iwe chingoterera kutaura
kwandataura, ndikave ndinokuudza
ndinoona kuti hana yako haina
kusimba. Mashoko andingakuudza
ndeekuti muno mudunhu
vatinogarisana navo hakuna akati
twasa uye vose vavengi vedu kubvira
kare kusara kwevabereki vaJedza
naUrimbo ayo anova ma bhururu ako.
Rumwe rudhende urwo kubvira
vavengi vedu uye vatengesi" Amai
vangu vapedza kutaura mashoko aya
vakatanga kuchema zvaipisa tsitsi.
Misodzi yangu yakatangawo kubuda.

Papera chinguva Mhamha vangu


vakamira kuchema, ini ndakaedza
kuvabvunzurudza zvavainge vataura
kuti ndive ndinonzwisisa asi hapana
chimwe chavakataura chinobatika.
Kutaura kwavo kwaingove
kundivanzira chete, zvino chokwadi
ndaizochiziva zvaita seiko. Kunyangwe
hazvo zvainge zvakadaro Runako
sezvo Dhigo ainge ataura kuti
ndaizonana naye muchihwande
handifunge kuti paive nechakaipa.
Dhigo aive bhururu wangu uye
ndaivimba naye, kuona kwangu
ndaisaona ari munhu aizondirasira.
Mwana waMambo ndainge ndakamuda
nemoyo wangu wese.

Kunze kwasviba ndakaenda


kunozviradzika, ndichingopinda
mumagudza ndiko kutanga kurota
hope dziye dzandainge
ndakamborota...

*End Of Chapter*

.
.
.
[04/23, 14:04] C Author (JOE):
https://chat.whatsapp.com/ICNKoz8XJ
dQ0s0KJ5oVNGg

https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/
*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 5

*CHIMUSWE*

Mushure mekunge ndapinda


mumachira ndakatanga kurota hope
dzandainge ndakamborota nezuro
wacho. Pandainge ndakuti ndibvunze
mubvunzo murume wacho
akanyangarika ndisina kuva
ndinomubvunza, ndiko kuzopepuka
kwandakaita uku kunze kwatochena
hako. Ndainge ndisisina kugatsikana
mushure mekunge ndamuka. Hope
dziya dzainge dziri kungotenderer
mumusoro mangu. Ini pachangu
ndainge ndave kutotya. Zvino
ndaizomuwana kupiko anonditaurira
chokwadi. Amai vangu
vaingondivanzira.

Ndamuka kudaro ndakabuda panze


ndokuenda pandaijimira, ndaida
kumbosimbisa nyama dzangu sezvo
ndainge ndagarisa ndisina kujima.
Mabhururu angu Jedza naUrimbo
vakasvikawo ndokutanga kujima
pamwe chete, ndofunga vainge
vatofemberawo kuti ini ndainge
ndirikusimbisa nyama dzangu.
Takatanga kusimbisa nyama dzedu tiri
pamwe chete sevakomana uku
tichitaura nyaya. Ini ndainge ndisiri
kumboratidza kusuruvara hangu.
Ndainge ndakatosununguka pachiso.
Papi pacho pandaizosuruvara iye
Dhigo ainge akandiudza kuti nyaya
yacho aizodzifambisa. Zvechokwadi
Dhigo ndaiziva kuti aizodzifambira,
ainge ari munhu wangu kwemakore
mazhinji kwazvo. Tapedza kusimbisa
nyama dzangu ndakapinda navo
munzira ndovaperekedza.

Ndichivaperekedza mabhururu angu


ndakanzwa Jedza otaura achiti.
"Iwe Chimuswe nhasi
chimbondiudzawo kuti naDhigo
munombowirirana panyaya dzei.
Chimbondiudzawo Bhururu
wangu..Dhigo ndiyo nyoka pasi pano
rezuva, haana kumbosiyana
naMudhara wake. Kuona kwangu ndiye
waakatodza zvake"

Akadero Jedza apo tainge tamira


pamuchero waive mujinga menzira,
muchero uyu waive munzvirimombe.

Ndakatanga ndapedza kudya


nzvirimombe yandainge ndakabata
ndiko kuzopindura ndoti.

"Kana uchiti Dhigo inyoka unenge


uchirevera chii nhai akomana. uri
kureva kuti akafanana nenyoka here?
Munhu ogofanana nenyoka pakuita sei
zvekare" Ndakataura mashoko aya
vamwe vangu ndokutanga kuseka, uyu
Urimbo ndiye akazopindura oti.

"Haa Jedza ataura pa chikuru.


Sekuona kwangu Jedza anenge
arikuedza kutaura kuti Dhigo haasi
munhu wekuvimba naye, hameno kuti
chii chaakaonawo panaDhigo. Jedza
ungataurawo here kuti nekuda kwei
wati iwe Dhigo inyoka" Akadero
Urimbo odawo kuziva, uyu aitovewo
murima seniwo.

Jedza ndiye akapindura oti.


"Kuita kwake handikunzwisise hangu.
Kuona kwangu anenge anoda Runako,
zuro pandaibva mhiriyo ndakavaona
vakamira vose kumisvazva uko asi ivo
havana kundiona. Semunhu ainge
omhanyira kwandaienda handina kuda
kuhwandira kuti ndinzwe zvainge
zvotaurwa, asi ndinenge ndakaita
manzwira Dhigo otaura rekuti siyana
naChimuswe, kuti ndingave
ndakatadza kunzwa zvakanaka here?
Kana zvirizvo angatoita mashura ini
manzeve angu akakurisa shamwari
dzangu"

Ndakaseka ndokupindura ndoti.


"Haa zvechokwadi wakanganisa
kunzwa iwe, saka vanhu vakamira vose
vanenge votaura dzerudo here nhai
akomana. Pane zvaitoronga ipo paye,
ko Dhigo makangamwa kuti munhu
wemadhiri here. Ndikasave
ndinowirarana naye tsoro dzangu
dzinoenda musango. Ipapo arikuda
kutondirongera rimwe dhiri."
Ndapedza kutaura ndakatarisa vamwe
vangu avo vakabva vatarisana ndiko
kuzotaurirana voti.

"Dhiri rei zvekare?"

Ndakapindura ndoti.

"Ndichakuudzai mabhururu angu,


kungoti nhasi kune kwandiri kuda
kumhanyira" Hongu aive mabhururu
angu asi handina kuda kuva
ndinovaudza zvandainge ndakaudzwa
naDhigo, uye kuona kwangu vainge
vasati vaziva zve kuenda kwangu
kudare raMambo. Kana vainge
vakazviziva ndaizoona nekundibvunza
zvino havana kuva vanondibvunza
havo.

"Chimuswe, Chimuswe kana pane


dzauri kuronga naDhigo ibva wasiya
hako. Uya mukomana anokupinzisa
munataisireva. Anokunyudzisa
mumatope chaimo. Hongu
munowirirana asi zvemadhiri nemimwe
minyati ibva wasiya hako. Nyaya iyoyo
ndinotoziva kuti inechekuita maringe
nekudanana kwako naRunako, izvo
ndizvo zvandinoziva Chimuswe. Dhigo
ndakamuziva kare musati mave
munowirarana, uye ini naUrimbo tisu
takatanga kuwirirana newe uyu Dhigo
ndiko kuzouyira mumashure medu.
Unoti nemhakayeiko isu
tisingawirirane naye, Baba vaiye Dhigo
sekuudzwa kwangu vakamboedza
kuda kuuraya madzibaba ekwangu asi
vakakurirwa havo. Nyaya yeminda
yedu ndiyo yavaida kutiurayira,
murume uya ane hudyire zvake.
Kutonga kunoita Mambo anenge
arimowo mukati, ndive vanorumawo
nzeve. Uyu Dhigo ...." NdiDhigo
akataura mashoko aya, ndakamugama
asati apedza kumataura.

"Hongu Baba vake vangave munhu


akaipa asi Dhigo munhu akanaka.
Ndofunga nyaya yaDhigo inogona
kuva inotoudza bopoto uye kurwisana
pakati pedu. Kana zvichigona
ngatisiyane nenyaya yacho"

Ndakataura mashoko aya ndave kuda


kutotsamwa, vamwe vangu vaitoziva
kuti kana ndotaura ndakashingisa
kumeso ndinenge ndave pedyo
nekutsamwa. Ini ndaive munhu
aikurumidza kutsamwa uye aive
nehasha dzakawanda. Ndaisada
kunetsana nevamwe vangu ava
nezvinhu zvisina basa, vamwe vangu
vaona izvi vakabva vatochinja nyaya
ndiko kuzotangawo kutaurawo nyaya
dzakareruka.

Takazoparadzana ini ndoenda kumba,


ndave kutosvika kumba ndiko
kusangana naDhigo uyo akandiudza
kuti ainge arikunditsvaga.

"Kuchitova kwakanaka here kwauri


kunditsvaga uku"

"Aaah wakangamwa nhau iya here


nhai mukomana, zuva ranhasi
unofanirwa kumbosanganawo
nemudiwa wako. Zvinozoda here nhai
kuti ugare usingamuone. Handi
ndakambokuudza kuti ndichaita kuti
muve munosangana here nhai. Kana
zvichigona unogona kunoona Runako
iyezvino, haa muchaonana
muchihwande. Usava unotya zvako.
Hapana kana mumwe achakuonai
kunyangwe Mambo nemachinda ake,
ini ndini chete ndiri kungoziva nyaya
iyi"

Ndakatanga kusekerera, ndokupindura


ndoti.

"Zvino ndomuona kupi mudiwa


wangu"

Ndakabvunza ndoda kuziva.

"Izvozvo chete here, handi unoziva


muzisango riya rine mahuswa uye miti
mizhinji iri mukuru here? Iwe enda
unondimirira pamuti uya unonzi
mutowa. Mushure mechinguvana
uchaona mudiwa wako osvika"
Ndakabva ndangoparadzana naDhigo
ndoenda kwainge ataura uku
ndosekerera hangu..........

*RUNAKO*

Chimuswe ndainge ndane mazuva


akati kuti ndisina kuva ndinosangana
naye. Ndainge ndichisina mufaro.
Shungu dzangu dzaive dzekuda kuona
mudiwa wangu. Ndaida kugara naye
pasi toronga zvinobuda uye ndaida
kunzwa kuti ainge achiri kundida here?
Kungoti zii zii kwainge oita kwainge
kondipa mumwe mufungo.

Rimwe zuva ndakange ndiri kutofamba


ndichienda kumuchero wangu
wandaifarira, ndaisanzwa zvakanaka
ndikaswera ndisina kudya muchero
uyu. Pazuva ndaitoona kuti ndave
ndinoudya,

Ini ndaive munhu aifamba asina


vamwe vasikana, ndaisazvida hangu
uye ndainge ndakazviramba. Mambo
vakambotanga achirambirana neni
ndiko kuzondibvumidza kuva
ndinofamba ndega. Ndaisada kuva
munhu ari pamusoro pevamwe.
Ndiri munzira kudaro Dhigo
akaerekana abudikira nemberi
kwangu.

"Runako ndafara kuva ndinosangana


newe, unoziva kuti ndaishaya kuti
ndosangana newe kupi here? Haaa
nhasi ndazofara unomboziva___"
Akataura mashoko aya otanga
kusekenyeka kunge nzenza, dai aiziva
kuti ndainge ndakamuvenga airega
kusekenyeka uye kuva anotaura neni.
Mukomana uyu aive mutengesi, dai
zvaigona ndaida kusangana zvekare
naChimuswe ndomutaurira
nezvaDhigo uyu kuti amuchenjerere.

"Dhigo ndibvirewo kumberi


kwangu___"

"Ko hasha ndiko kuita sei? Ndine


mashoko anotapira unomboziva. Iwe
nemudiwa wako handi hamuchazive
kuonana here? Chimuswe muzuva
ranhasi unogona kunomuona.
Ndamuona zvangu arikusango riya
remiti mizhinji anga ari pamutowa_"

Ndakaridza tsamwa ndiko kupindura


ndoti.

"Uri kuda kutisanganisa here? Chauri


kuvarira apa chii nhai. Unoti iwe
handikuzive here? Ndinoziva zvangu
kuti ndaenda ikoko uchanoudza
Mambo. Ini ndakachenjera Dhigo
handisi munhu akadzungaira"
Ndapedza kutaura ndakaridza tsamwa.

"Urikutopedza nguva Runako.


Chimuswe arikuda kuzvisungurira uko.
Hameno kana uchida kuti afe. Ehe ini
ndinoda kuti afe asi kwete nenzira
yekuzvisungirira. Heya ndiri kunyepa
ndiko kupera kwemashoko angu. Asi
nerimwe remazuva ucharangarira
kutaura kwangu.."

Apedza kutaura mashoko aya


akandisiya ndangoti tumbi, zvichida
ainge ataura chokwadi. Ndakatanga
kumhanya ndonanga musango rainge
ataura. Chimuswe ndaimuda
aisafanirwa kuzviuraya,
chakandishamisa ndasvika pamuti
wainge ataura Chimuswe wacho
ndakamuona akatomira uku
akazembera muti. Munoziva
ndakapererwa here? Zvichireva kuti
zvandainge ndambofungira Dhigo
ndizvo zvainge aronga, iye Chimuswe
achingonditi baa akabva
angondimhanyira ndiko
kundimbundira, akandimbundira
kudaro handina kuona uye kuziva kuti
machinda aMambo akabva nekupi,
ndakangonzwa
kusheedzeera.."Chimuswe usatiza
hako" Ndiko kucheuka ndotarisa
wanike tainge takombiwa nemachinda
uku akabata miseve. Machinda aya
akabva angosvika pandiri ndokutora
Chimuswe mamwe acho ndiko kutora
ini. Ndakatomboedza kurwisa kuti ave
anondiregedza asi ainge akandibata
zvine simba. Ndaida kunonunura
mumwe wangu uyu...

*End Of Chapter*

.
.
.
[04/24, 08:19] C Author (JOE):
https://chat.whatsapp.com/ICNKoz8XJ
dQ0s0KJ5oVNGg
Vanoda book join grup.richaiswa
imomo.book handipe kuinbox
ndatenda hangu..
https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/ kule c novels
facebook page..

*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 6

*CHIMUSWE*

Nzira yaDhigo yainge yaramba


kushanda zvamuchose. Pane kuti ive
inondiyambutsa kana kundibetsera
nzira yacho yakave inondipinza
munataisireva. Ndainge ndatowedzera
kuzvigokera moto muziso. Kana pari
pa chikuru ndainge ndapira gotsi
kunobva nemuseve. Machinda aya
paifamba akandibata kudaro achienda
neni kunaMambo, ndaingozvidya moyo
kuti ndichizviudza kuti chandainge
ndaiita chiiko. Dai ndakaziva ndakaona
kuti haitungamire.

Misodzi ndiyo yaida kubuda asi


ndaingozvishingisa hangu. Dai
ndakaterera kutaura kwaMai vangu
zvose izvi ndisina kuva ndinosangana
nazvo. Regai zvichinzi muromo
wevakuru hauwiri pasi. Uye vakuru
kana vachikutaurira iva unoterera
pamwe chete nekubata mashoko
avanenge vachitaura panguva iyoyo,
vanenge vane vari kuona iwe
zvaunenge usingakwanise kuona.

Bhururu wangu Dhigo ndaisamupa


mhosva pane zvainge zvichangobva
mukuitika. Panhau iyi ndakazvitarisa
hapana aive nemhosva uye
wandaifanirwa kuonekera, Dhigo ainge
akaedzawo nepaigona napo asi
zvikazoendawo nepamwewo. Hapasi
pose patinoronga zvinhu zvikave
zvinobudirira. Izvozvo zvinowanika
mukurarama. Papi pacho
pandaizomupa mhosva iye munhu
ainge aedza nepaanogona napo kuti
ndive ndinosangana nemudiwa wangu,
kana ndaizomupa mhosva ndinenge
ndotopenga uye ndinenge ndiine
hutsinye kudarika hwenyoka.

Mambo zvavainge vakambotaura


kudare kwavo izvo ndainge ndisina
kuva ndinozviterera ndizvo zvainge
zvakundityisa, zvaingove pachena kuti
ini ne vabereki vangu tainge tatarisana
nerufu.

Tichifamba kudaro ndakanzwa mumwe


muchinda waMambo otaura achiti.
"Chimuswe une zvivindi
zvinovhundutsa kunyangwe netsuro iri
mugwenzi chaimo. Nezvauri izvi
kushinga hako kudanana neMwana
WaMambo wedu. Nhasi ndinoda
kunoona kuti zvivindi zvako zviri pai?.
Uku ndiko kupinda nemwenje
mudzimba kwawaita chikomana. Heya
kutaura kwaMambo wakati kupenga
kaah. Ini varume ndatononokerwa
nekuva ndinonorova mukomana uyu,
zvichida iye nhasi uno tasvika
vachataura voti timugure musoro.
Ndazvipira kuva ndinogura musoro
wacho kana Mambo vachinge vataura
vachidaro___" Akadero Muchinda
waMambo uyo aisheedzwa nezita
rekuti Tarubva. Apedza kutaura
mashoko aya hapana kana mumwe
chete akave anomupindura. Tarubva
akawedzera kundibata zvine simba.
Chiso chake ndicho chainge
ashandusa kuchiita chemhandu
chaiko.

Kuona kwangu murume uyu aive


akatondivenga , pane kuti ave
anondinzwira tsitsi aitotaura mashoko
anorwadza.Hongu aive muchinda
waMambo asi aisafanirwa kutaura
matauriro ainge aiita aya, kutaura
kwake uku kwainge kwandiratidza kuti
aive munhu ane hutsinye.

Tasvika mumuzinda ndakaendeswa


kudare. Machinda akasvika
nekundisundidzira ndiko kunowira
mumakumbo aMambo, ndakanosvika
ndichinowira nemabvi angu ayo
akabva aita kusvuuka, ndakarwadziwa
asi handina kuzviratidza hangu.
Ndakatyora uso hwangu ndatarisa pasi
ndamirira kutaura kwaMambo,
panguva iyi hana yangu ndiyo yaive
yakuita kutinhira, yaita kuti tibvu tibvu
zvekuda kutobvarura mbatya
yandainge ndakapfeka.

Mushure me chinguvana ndakanzwa


Mambo oridza tsamwa ndokutaura oti.

"Ini handina mashoko newe


Chimuswe. Muzuva ranhasi wamutsa
hasha dzangu. Zvichireva kuti kutaura
kwangu hauna kukunzwa here? Zvako
zvivindi here? Unoziva kuti watangisa
huru here? Mhuri ye kwako ichafira
mhosva yako iyi, uye zvekare ndichave
ndinopedzerana nayo mushure
mekunge ndapedza newe...." Mambo
akamira kutaura ondibata musoro
wangu achida kuti ndimutarise,
akasimudza musoro wangu dzamara
tatarisana kumeso. Akatora mukana
uyu kuva anopfinyamisa kumeso
ndokuzondisvipira chikarahwa kumeso
kwangu. Chikarahwa ichi chakanoita
kuita zvekunamira kumeso kwangu,
apa chikagoti chainhuwa kunge
chidembo chakafa chega, zvimate
ndizvo zvakapindawo mumhino.

Handina kuzviisa mune dzangu


pfungwa. Ndangariro dzangu dzainge
dzatove kure chaiko.
Ndakazvishingisa kutaura ndokutaura
ndoti.

"Paaa pamusoroi Mambo. Chekutanga


ndinokumbirawo ruregerero pane
zvose zvandakaita kuti muve
munondiregerera Mambo wangu.
Ndakatadza Mambo wangu uye
ndinobvuma mhosva yacho. Hongu
makave munondiudza kuti ndive
ndinosiyana nemwana wenyu asi
handizive kuti rudo here kana kuti
kuzviitisa kwandiita kuti ndisave
ndinoterera zvamakambotaura..."
Ndakataura mashoko aya
ndazvishingisa. Ndaifunga kuti kutaura
kwangu kwaizodzora hahaha
dzemukuru izvo nyamba kwete kwaive
kuroya kwemucheche achiyamwa.
Kutaura kwangu kwainge
kwatowedzera hasha dzemukuru uyu.
Ndapedza kutaura vakandipfira
kumeso zvekare ndokupfinyamisa
chiso chavo votaura vachiti.

"Watii Chimuswe, wataura zvekuti


rudo. Irworwo rudo rwekuzviitisa
ndirwo rwave kukupinza
munataisireva. Mukomana iwe une
zvivindi zvandivhundutsa. Machinda
angu torai mukomana uyu
mumbonomunyika musoro mumvura,
akadzungaira zvinotonyangadza.
Mapedza kuita izvi ndinoda kuti
mukokorodze vanhu vose vedunhu
rino. Munhu wese kunyangwe vana
vadiki, harahwa, vane mimba,
vanorwara kokorodzai ndini ndikutaura
izvi. Dzimba chete ndidzo dzichasara
dzimire nemakonzo achitamba ndire
ndire vanhu vangu vauya kuno..
Ndinoda kugura musoro wemuchinda
uyu pamberi peveruzhinji uye pachiso
chemubereki wake" Akadero Mambo
neinzwi hobby gobvu,

Ndakaona machinda aya omanyira


pandainge ndiri, mamwe ndiwo
akamhanyidzana vachibva padare oita
zvainge zvataurwa. Kumhanya kwacho
kuita kunge vachawira pasi
nekupiringishana. Machinda
akanditora akaenda neni
nechekumusoro kweDare, uko
ndakanonyikiwa musoro wangu
mumugomo uyo waive wakazara
mvura iyo yainge yakasviba,
ndakanyikwa musoro kudaro
pandainge ndoda kuubudisa
chamboko chaibva chauya
nekumusana. Mumashure meizvi
ndaimhanya kuva ndinodzosera
musoro uya mumugomo memvura.
Ndaiti ndikamboita chinguva
ndakauisa ndobudisa asi
ndauzokurumidza kuva ndinodzosera
nekuda kwechamboko chaiita
zvekuzamudzirwa pamuviri wangu.
Chokwadi ndainge ndiri parumana
nzombe chaiko. Uku ndaibitirirwa
mvura ichiita kupinda nemumhino.
Machinda aya akazondibata musoro
wangu ndiko kuva anowedzera
kuunyudza ndiko kuramba vakabata
musoro wangu.

Vakazondibudisa mushure
mechinguvana voenda neni kwainge
kwaungana vanhu avo vainge
vakokorodzwa, ndakanoendeswa
kunomira mberi kwevanhu avo vainge
vachivhura nzeve kuti vanzwe pamwe
chete nekuvhura avo meso kuti vaone
zvainge zviri kuda kutora nzvimbo.
Ndakandeesa maziso angu ndotarisa
paive nemubereki wangu ndokuona ari
pakati peveruzhinji, ndakaona wangu
mubereki achiita kusvimha misodzi.
Yangu misodzi yakatangawo kubuda
ndokutanga kuva inoyerera nematama
angu.

Mambo asati asimuka pachigaro chake


vanhu vose vakatanga kutyora huso
hwavo vapedza ndokunzwa varume
voridza muridzo uku vakadzk voridza
mhururu. Kuremekedzwa kwacho
kwainge kwanyanya, chero iye
anonaisa mvura aisara pasi. Mambo
kutonga kwake kwaityisa uye aive
munhu aive asina rudo nevanhu vake.
Mambo akazosimuka pachigaro chake
ndokutanga kutaura oti.

"Vanhu vangu ndakusheedzai kuti


muzoona ndichiuraya mukomana uyu
anova ari kudanana nemwanasikana
wangu. Kana muchibata mashoko
pandinotaura ndinogara taura kuti
anenge atadza kutevedzera mutemo
yangu anofa sei?. Ndinofunga
munoziva kutonga kwangu uye
ndinovimba kuti izvi hazvisi zvitsva
kwamuri uye zvekare hazvisi
kuzokuvhundutsai. Ndinogara
ndichitaura kuti anenge atadza
kutevedzera mutemo yedunhu rino
anofa rufu runorwadza izvi zvandave
kuda kuva ndinoita kumukomana aya.
Asati ave anourayiwa Machinda angu
ehondo chimbotorai mukana uyu
kuzvambaradza mukomana uyu
zvakaipa kwazvo" Akadero Mambo
okanda meso ake kuvanhu
ndokuzokanda kwandiri.
Ndakabviswa mbatya dzangu
machinda ndokutanga kundizvambura,
kuzvambura kwacho vaiita kunge vari
kupura zviyo havo..Ndairwadziwa
hama dzangu. Ndichiti ndibate pano
chamboko chaiuya nekumwe. Muviri
wangu wakatanga kusvuuka uye
kuchekeka chekeka asi havana kuva
vanomira kundizvambura dzamara
Mambo azovamisa otaura mashoko
ayo akave anondibvundutsa uye
kundityisa,....

*End Of Chapter*

.
.
.
https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/

https://chat.whatsapp.com/ICNKoz8XJ
dQ0s0KJ5oVNGg
Vanoda book join grup.richaiswa
imomo.book handipe kuinbox
ndatenda hangu..

https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/ kule c novels
facebook page..

*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*

STORY BY KULE C
0775937782
CHAPTER 6

*CHIMUSWE*

Nzira yaDhigo yainge yaramba


kushanda zvamuchose. Pane kuti ive
inondiyambutsa kana kundibetsera
nzira yacho yakave inondipinza
munataisireva. Ndainge ndatowedzera
kuzvigokera moto muziso. Kana pari
pa chikuru ndainge ndapira gotsi
kunobva nemuseve. Machinda aya
paifamba akandibata kudaro achienda
neni kunaMambo, ndaingozvidya moyo
kuti ndichizviudza kuti chandainge
ndaiita chiiko. Dai ndakaziva ndakaona
kuti haitungamire.

Misodzi ndiyo yaida kubuda asi


ndaingozvishingisa hangu. Dai
ndakaterera kutaura kwaMai vangu
zvose izvi ndisina kuva ndinosangana
nazvo. Regai zvichinzi muromo
wevakuru hauwiri pasi. Uye vakuru
kana vachikutaurira iva unoterera
pamwe chete nekubata mashoko
avanenge vachitaura panguva iyoyo,
vanenge vane vari kuona iwe
zvaunenge usingakwanise kuona.

Bhururu wangu Dhigo ndaisamupa


mhosva pane zvainge zvichangobva
mukuitika. Panhau iyi ndakazvitarisa
hapana aive nemhosva uye
wandaifanirwa kuonekera, Dhigo ainge
akaedzawo nepaigona napo asi
zvikazoendawo nepamwewo. Hapasi
pose patinoronga zvinhu zvikave
zvinobudirira. Izvozvo zvinowanika
mukurarama. Papi pacho
pandaizomupa mhosva iye munhu
ainge aedza nepaanogona napo kuti
ndive ndinosangana nemudiwa wangu,
kana ndaizomupa mhosva ndinenge
ndotopenga uye ndinenge ndiine
hutsinye kudarika hwenyoka.

Mambo zvavainge vakambotaura


kudare kwavo izvo ndainge ndisina
kuva ndinozviterera ndizvo zvainge
zvakundityisa, zvaingove pachena kuti
ini ne vabereki vangu tainge tatarisana
nerufu.

Tichifamba kudaro ndakanzwa mumwe


muchinda waMambo otaura achiti.
"Chimuswe une zvivindi
zvinovhundutsa kunyangwe netsuro iri
mugwenzi chaimo. Nezvauri izvi
kushinga hako kudanana neMwana
WaMambo wedu. Nhasi ndinoda
kunoona kuti zvivindi zvako zviri pai?.
Uku ndiko kupinda nemwenje
mudzimba kwawaita chikomana. Heya
kutaura kwaMambo wakati kupenga
kaah. Ini varume ndatononokerwa
nekuva ndinonorova mukomana uyu,
zvichida iye nhasi uno tasvika
vachataura voti timugure musoro.
Ndazvipira kuva ndinogura musoro
wacho kana Mambo vachinge vataura
vachidaro___" Akadero Muchinda
waMambo uyo aisheedzwa nezita
rekuti Tarubva. Apedza kutaura
mashoko aya hapana kana mumwe
chete akave anomupindura. Tarubva
akawedzera kundibata zvine simba.
Chiso chake ndicho chainge
ashandusa kuchiita chemhandu
chaiko.

Kuona kwangu murume uyu aive


akatondivenga , pane kuti ave
anondinzwira tsitsi aitotaura mashoko
anorwadza.Hongu aive muchinda
waMambo asi aisafanirwa kutaura
matauriro ainge aiita aya, kutaura
kwake uku kwainge kwandiratidza kuti
aive munhu ane hutsinye.

Tasvika mumuzinda ndakaendeswa


kudare. Machinda akasvika
nekundisundidzira ndiko kunowira
mumakumbo aMambo, ndakanosvika
ndichinowira nemabvi angu ayo
akabva aita kusvuuka, ndakarwadziwa
asi handina kuzviratidza hangu.
Ndakatyora uso hwangu ndatarisa pasi
ndamirira kutaura kwaMambo,
panguva iyi hana yangu ndiyo yaive
yakuita kutinhira, yaita kuti tibvu tibvu
zvekuda kutobvarura mbatya
yandainge ndakapfeka.

Mushure me chinguvana ndakanzwa


Mambo oridza tsamwa ndokutaura oti.

"Ini handina mashoko newe


Chimuswe. Muzuva ranhasi wamutsa
hasha dzangu. Zvichireva kuti kutaura
kwangu hauna kukunzwa here? Zvako
zvivindi here? Unoziva kuti watangisa
huru here? Mhuri ye kwako ichafira
mhosva yako iyi, uye zvekare ndichave
ndinopedzerana nayo mushure
mekunge ndapedza newe...." Mambo
akamira kutaura ondibata musoro
wangu achida kuti ndimutarise,
akasimudza musoro wangu dzamara
tatarisana kumeso. Akatora mukana
uyu kuva anopfinyamisa kumeso
ndokuzondisvipira chikarahwa kumeso
kwangu. Chikarahwa ichi chakanoita
kuita zvekunamira kumeso kwangu,
apa chikagoti chainhuwa kunge
chidembo chakafa chega, zvimate
ndizvo zvakapindawo mumhino.

Handina kuzviisa mune dzangu


pfungwa. Ndangariro dzangu dzainge
dzatove kure chaiko.

Ndakazvishingisa kutaura ndokutaura


ndoti.

"Paaa pamusoroi Mambo. Chekutanga


ndinokumbirawo ruregerero pane
zvose zvandakaita kuti muve
munondiregerera Mambo wangu.
Ndakatadza Mambo wangu uye
ndinobvuma mhosva yacho. Hongu
makave munondiudza kuti ndive
ndinosiyana nemwana wenyu asi
handizive kuti rudo here kana kuti
kuzviitisa kwandiita kuti ndisave
ndinoterera zvamakambotaura..."
Ndakataura mashoko aya
ndazvishingisa. Ndaifunga kuti kutaura
kwangu kwaizodzora hahaha
dzemukuru izvo nyamba kwete kwaive
kuroya kwemucheche achiyamwa.
Kutaura kwangu kwainge
kwatowedzera hasha dzemukuru uyu.
Ndapedza kutaura vakandipfira
kumeso zvekare ndokupfinyamisa
chiso chavo votaura vachiti.

"Watii Chimuswe, wataura zvekuti


rudo. Irworwo rudo rwekuzviitisa
ndirwo rwave kukupinza
munataisireva. Mukomana iwe une
zvivindi zvandivhundutsa. Machinda
angu torai mukomana uyu
mumbonomunyika musoro mumvura,
akadzungaira zvinotonyangadza.
Mapedza kuita izvi ndinoda kuti
mukokorodze vanhu vose vedunhu
rino. Munhu wese kunyangwe vana
vadiki, harahwa, vane mimba,
vanorwara kokorodzai ndini ndikutaura
izvi. Dzimba chete ndidzo dzichasara
dzimire nemakonzo achitamba ndire
ndire vanhu vangu vauya kuno..
Ndinoda kugura musoro wemuchinda
uyu pamberi peveruzhinji uye pachiso
chemubereki wake" Akadero Mambo
neinzwi hobby gobvu,
Ndakaona machinda aya omanyira
pandainge ndiri, mamwe ndiwo
akamhanyidzana vachibva padare oita
zvainge zvataurwa. Kumhanya kwacho
kuita kunge vachawira pasi
nekupiringishana. Machinda
akanditora akaenda neni
nechekumusoro kweDare, uko
ndakanonyikiwa musoro wangu
mumugomo uyo waive wakazara
mvura iyo yainge yakasviba,
ndakanyikwa musoro kudaro
pandainge ndoda kuubudisa
chamboko chaibva chauya
nekumusana. Mumashure meizvi
ndaimhanya kuva ndinodzosera
musoro uya mumugomo memvura.
Ndaiti ndikamboita chinguva
ndakauisa ndobudisa asi
ndauzokurumidza kuva ndinodzosera
nekuda kwechamboko chaiita
zvekuzamudzirwa pamuviri wangu.
Chokwadi ndainge ndiri parumana
nzombe chaiko. Uku ndaibitirirwa
mvura ichiita kupinda nemumhino.
Machinda aya akazondibata musoro
wangu ndiko kuva anowedzera
kuunyudza ndiko kuramba vakabata
musoro wangu.

Vakazondibudisa mushure
mechinguvana voenda neni kwainge
kwaungana vanhu avo vainge
vakokorodzwa, ndakanoendeswa
kunomira mberi kwevanhu avo vainge
vachivhura nzeve kuti vanzwe pamwe
chete nekuvhura avo meso kuti vaone
zvainge zviri kuda kutora nzvimbo.
Ndakandeesa maziso angu ndotarisa
paive nemubereki wangu ndokuona ari
pakati peveruzhinji, ndakaona wangu
mubereki achiita kusvimha misodzi.
Yangu misodzi yakatangawo kubuda
ndokutanga kuva inoyerera nematama
angu.

Mambo asati asimuka pachigaro chake


vanhu vose vakatanga kutyora huso
hwavo vapedza ndokunzwa varume
voridza muridzo uku vakadzk voridza
mhururu. Kuremekedzwa kwacho
kwainge kwanyanya, chero iye
anonaisa mvura aisara pasi. Mambo
kutonga kwake kwaityisa uye aive
munhu aive asina rudo nevanhu vake.
Mambo akazosimuka pachigaro chake
ndokutanga kutaura oti.

"Vanhu vangu ndakusheedzai kuti


muzoona ndichiuraya mukomana uyu
anova ari kudanana nemwanasikana
wangu. Kana muchibata mashoko
pandinotaura ndinogara taura kuti
anenge atadza kutevedzera mutemo
yangu anofa sei?. Ndinofunga
munoziva kutonga kwangu uye
ndinovimba kuti izvi hazvisi zvitsva
kwamuri uye zvekare hazvisi
kuzokuvhundutsai. Ndinogara
ndichitaura kuti anenge atadza
kutevedzera mutemo yedunhu rino
anofa rufu runorwadza izvi zvandave
kuda kuva ndinoita kumukomana aya.
Asati ave anourayiwa Machinda angu
ehondo chimbotorai mukana uyu
kuzvambaradza mukomana uyu
zvakaipa kwazvo" Akadero Mambo
okanda meso ake kuvanhu
ndokuzokanda kwandiri.

Ndakabviswa mbatya dzangu


machinda ndokutanga kundizvambura,
kuzvambura kwacho vaiita kunge vari
kupura zviyo havo..Ndairwadziwa
hama dzangu. Ndichiti ndibate pano
chamboko chaiuya nekumwe. Muviri
wangu wakatanga kusvuuka uye
kuchekeka chekeka asi havana kuva
vanomira kundizvambura dzamara
Mambo azovamisa otaura mashoko
ayo akave anondibvundutsa uye
kundityisa,....

*End Of Chapter*

.
.
.
https://chat.whatsapp.com/ICNKoz8XJ
dQ0s0KJ5oVNGg

https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/

Vanoda book join grup..book handipe


inbox..
*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 7

*CHIMUSWE*

Mushure mekunge Mambo amisa


Machinda ake kuti aregedze kuva
anondizvamburadza, Mambo Moto
akataura oti.

"Mukomana uyu haasi kuzofa muzuva


ranhasi. Ndinoda kumbomurwadzisa
uye kuti amborwadziwa. Achaurayiwa
nekufamba kwemazuva. Ndinoda kuti
afe kufa kunorwadza, uye achafa
mafiro asati amboitika muno mudunhu.
Machinda ndinoda kuti muende
nemukomana uyu munomuvharira
muimba iri kuzasi kwemuzinda,
munofanirwa kuti kuona kuti asave
anotiza uye zvekare hapana
chaanofanirwa kupiwa chingave
chikafu kana mvura yekumwa zvayo.
Muimba iyoyo yaachazvarirwa
achagara imomo kwemazuva anoita
iwo gumi. Mushure memazuva aya
ndichave ndinokukurodzai zvekare,
ipapo ndipo pachaurawa mukomana
uyu. Ndiko kupera kwemashoko angu
ini Mambo wenyu Moto." Akadero
Mambo ashandusa chiso chake.

Mambo apedza kutaura mashoko aya


vanhu vakatanga kuita aziva kwake
aziva kwake. Ini ndakatanga
kukweviwa ndoendwa neni muimba
yainge yataurwa naMambo ndiko
kunovharirwa imomo. Imba iyi yaisave
kana nepaizopinza mhepo uye kana
kupinza chiedza. Muimba umu maive
nerima zvekuti hapana kana chimwe
chete chawaikwanisa kuona.

Ndapinda muimba umu ndakabata bata


madziro ndotsvaga pekugara, ndiko
kuzogara pasi kwandakaita. Ndagara
kudaro ndakatanga kunanairwa
nezvinhata uye kuva ndinorumwa
nezvinyavada nezvimwewo zvimhuka
izvo ndakatadzawo kuziva..
Ndichirumwa kudaro ndaingoyeredza
misodzi yaive isina anopukuta,
zvichireva kuti ndiko kwaitozove
kuguma kwehwangu hupenyu here?
Ndofunga izvi ndakatowedzera kuva
ndinochema.

Marwadzo ekurorwa kwandainge


ndaitwa ainge achiri kundidzimba,
ndainzwa nyama dzangu dzakaita
kurukutika. Chero kunyangwe ndaizofa
hangu chaindirwadza mubereki wangu
uyo wandainge ndisingazive kuti
Mambo mushure vandivharira
muchizarira umu vakazotora danho
ripi. Amai vangu pamwe chete
nehanzvadzi yangu ndaisada kuti vave
vanofira mhosva dzangu...

*RUNAKO*

Baba vangu pasi rino handifunge kuti


pane munhu aive nehutsinye serwavo.
Baba vangu vaitova muroyi chaiye.
Kuita kwavo ndakatya nako ini,
ndainge ndisina kumbozvitarisira kuti
vaizotora danho iri naChimuswe.
Kuona kwangu ndakatoona kuti
vaitofara nekushungurudza Chimuswe.
Kuti nditi vaive vangu Baba zvainge
zvakandirambira. Kunyangwe vaive
vangu baba ndainge ndakutozviudza
kuti havasi vangu Baba. Chainge
chakatadza Chimuswe chaive chikuru
kuru kuru chekuti angave anourawa
ndakachitsvakurudza ndikave
ndinochishaya. Iko kudanana kwaiita
neni ndiko kungabva kwakonzeresa
zvose izvi here?.

Dhigo ndiye mumwe munhu


wandainge ndavenga.Mukomana uyu
ndiye ainge ave anokonzeresa zvose
izvi..dai painge pasina iyi Chimuswe
asina kuva anosangana
nematambudziko aya.

Dhigo pamwe chete naBaba vangu


kuita kwavo vaiita kunge vainge
vakazvarwa nemunhu mumwe chete
nekuda kwezviito zvako.
Mudiwa wangu mushure mekunge
avharirwa muchizarira, ndainge
ndakugara ndakazvivharira muimba
yangu yekurara umo ndaichema
kusina mugumo.Ndainge ndiri
kurwadziwa hama dzangu. Chimuswe
ndaifanirwa kutozomununura.
Chimuswe aisafanirwa kufa, kana
achifa neniwo ndaizofa ne chandainge
ndoraramira chii kana iye achinge afa.
Handina mumwe munhu muhupenyu
hwangu wandichada kunze
kwaChimuswe, mushure mekunge
tadanana ndakazviudza kuti Chimuswe
atove wangu kusvika kumagumo.

Ndainge ndakagara pasi muimba


yangu yekurara uku ndakafunya
chisero. Ruoko ndirwo rwainge
rwakabata shaya rwumwe rwakabata
pasi. Ndangariro dzangu dzaive
kunaChimuswe uyo ainge ave nezuva
rimwe chete akavharirwa muchizarira.
Chekudya chaicho handifunge kuti
ainge arikuchiwana, hutsinye
hwevangu baba rwairidzisa muridzo.
Ndimo maive muchimbuzi ndimo
zvekare maive muimba yekurara.

Munoziva ndaitoona kunge ndaive ini


ndainge ndakavharirwa muchizarira
umu here, ndichifunga kudaro
ndakaona amai vangu vopinda
ndokuuya pandainge ndakagara.
"Runako chimbondiudzawo kuti
Chimuswe chaiye ndiye wauchiri
kuchemera nanhasi here?" Vakadero
Amai vangu vanditarisa, ndakapukuta
misodzi yangu ndokupindura ndoti.

"Amai Chimuswe ndinomuda, ichi


ndicho chokwadi chandiri kutaura.
Batai kutaura kwangu Chimuswe akave
anourayiwa neni wacho ndirikuzofa"

Ndapedza kutaura mashoko aya


ndakaona Amai vangu vabata muromo
wavo kuratidza kushamisika.

"Uchifira iye Chimuswe here. Iwe tikati


dzako dzichirimo dzose here
mwanangu. Akakudyisa chiiko iye
Chimuswe, mwanangu dai uri mumwe
wasiyana nekutambisa misodzi yako.
Chimuswe agara atori muvengi saka
arikutozofa kuenda kwakaenda vamwe
vake." Vakabva vatanga kundipukuta
misodzi yangu, chandakangoita kuva
ndinorashira maoko avo kwakadero.

"Saka kuchema kwangu kuri


kukufadzai here. Muchada kuti
ndizofarawo rini muhupenyu hwangu.
Munoreva here kuti sa amai vangu
hamusi kana kurwadziwa. Kana musiri
kurwadziwa ndingatya nemi Amai."

"Chero ndikasarwadziwa zvigobetsera


chiiko. Papi pacho pandichada kuti
mwanangu adanane nemunhu asina
kana chainacho. Tichitarisa imwe nhau
mhuri yekwaChimuswe vavengi vedu.
Iwe Runako ndinoda kuti unoroorwa
nemwana waMambo Gwanda,
mwanakomana wacho akanaka zvake.
Unenge wakagarika unomboziva here"

Ndakapfinyamisa kumeso, ndaitoda


kuvapfira kumeso asi ndakazvidzora,
asi kana vaizoramba vachitaura
zvaisanzwisisika ndaivapfira chete,
zvekuti ndiAmai vangu ndaimbozviisa
parutivi.

Ndakapindura ndoti.

"Zvekuti akanaka handina basa nazvo.


Saka iye mwana wacho akatobvuma
zvekupenga here? Kana akabvuma
ndinoti dzinotamba nevana. Ndipo
pomotaura zvekuti hee unonogarika
mwanangu kumunhu akatsvagirwa
mukadzi. Haaogone kutaura mashoko
erudo here, chirema here."

"Haiwa haiwa takuwanza kutaura,


ndakubikira chikafu chaunofarira
mwanangu. Chirega kuramba woramba
woshunguridzika
mwanangu.."Ndakasimuka ndobuda
panze ndokuvasiya vari muimba
yangu. Chikafu chavo ndaisachida,
ndaisanzwa kuda chikafu. Ndabuda
muimba yangu yekurara ndakakanda
maziso angu kuchizarira misodzi
yangu ndokutanga kuyeredzana...
*End Of Chapter*

.
.
. Yaita diki...busy maone
https://chat.whatsapp.com/ICNKoz8XJ
dQ0s0KJ5oVNGg

https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/

*PAMAKISIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 8

*RUNAKO*

Ndakatarisa kuchizarira kwaive


kwakavharirwa mudiwa wangu misodzi
yangu ndokutanga kuva inoyerera
nematama angu. Ndakatarisa kudaro
ndakaona machinda ainge akarinda
Chimuswe achitenderera neimba uku
akabata miseve, mumwe chete ndiye
aive akamira pa gonhi akabatawo
museve. Mukuona kwangu varindi ava
vaive vatatu. Chimuswe ndaifanirwa
kutoona kuti ndamira naye kuti asave
anourawa, yaive kodzero yangu sezvo
aive mudiwa wangu. Uye pasina ini
anomira naye zvaireva kuti aizourawa
izvo zvandaisada. Kana ndaizokwanisa
mumatambudziko aya ndaifanirwa
kuva ndinotiza naye toenda kwedu
tega kusina anotinetsa uye
kushungurudza rudo ruri pakati pedu.

Ndakamira panze kudaro, ndakanzwa


kukosora kwemunhu ainge ari pedyo
neni. Ndakacheuka ndotarisa munhu
uyu ndokuona vari vangu. Vakatanga
vakosorera ndiko kutotaura voti

"Saka Runako wati nhasi hausi kuda


chikafu here nhai mwanangu. Unoda
kufa nenzara here?"
Vakadero vachiita semunhu ari
kundinzwira tsitsi, tsitsi dzeiko ipapa.
Dai vaive netsitsi neni vaisabvumira
zvainge zviri kuita baba vangu. Heya
pachikafu ndipo pavaigona
kundinzwira asi panhau yekuti mudiwa
wangu ave anouraiwa vaisave
vanozvisvunirira havo, ndakaridza
tsamwa nechemumoyo mangu ndiko
kupindura ndoti.

"Amai nzara ndiyo isiri kuzondiuraya.


wandiri kuzofira ndiye iye mudiwa
wangu wamakadai kuvharira uye
wamuri kushungurudza, ko kuzoti dai
akati ndini ndave Mambo maitomudya
ari mupenyu kaah,. Nhau diki diki iyoyi
ndiyo ungabva yaita kuti muve
munoshungurudza kusvika padanho
rekuda kumuuraya here nhai amai.
Kutonga kwaBaba ndekwehutsinye,
kubvira nhasi ndakutozvitaura. Mambo
vane hutsinye uye kutonga kwavo
hakuna kuti twasa uye hakuna kana
kururama kana nepadiki pose"

Ndakadero ndokupukuta misodzi


yangu.

"Iwe chawakadyiswa na Chimuswe


chikuru chaicho. Kubvira pawatanga
kuva unodanana naye hauchisina kana
tsika zvadzo." Vakataura mashoko aya
votarisawo kuchizarira uko
kwandainge ndakatarisa
ndokuenderera mberi voti.
"Iwo mazuva gumi mukati haana
kuwandisa here? Regai ndigogara pasi
naMambo mazuva aya ave
anotapudzwa kana achiitwa maviri
kana matatu ndinoti makorokoto.
Ndanonokerwa ne kuona musoro
wemwana wevavengi vangu uri
pachitsiga, musi uyoyo
ndinonopurudza chaiko."

Vakadero ndokutanga kusekenyeka.


Dza Amai vangu dzinenge
dzaimbotamba nevana munomboziva.
Handione kunge mazuva aya vainge
vachiri kufunga zvakanaka..

Ndakapindura ndoti.
"Chimuswe ndiye wamusiri
kuzoouraya hunge ini ndiri mupenyu.
Batai manzwi angu. Kana mazobudirira
kumuuraya chake chitunha chiri apa
changu chinenge chiri apa, ndiko
kupera kwemashoko angu"

"Haiwa tibvire apa, uchifira iye


Chimuswe here, ndosaka ndamboti
hauchisina kana tsika."

"Tsika dzekufira munhu asina mhosva


kaah, yaa idzodzo handina zvangu uye
muhupenyu hwangu handina
kumbobvira ndave nadzo." Ndapedza
kutaura mashoko aya ndakafamba
ndoenda paive nezvihanzvadzi zvangu
izvo zvainge zviri kutamba nhodo.
Amai vangu ndakangovasiya vakati
tumbi semudzimu.

Ndasvika pahanzvadzi dzangu


ndakadziyeva uku misodzi yangu
yorerera, hanzvadzi yangu zvichireva
kuti nekukura aizosangana ne
zvandainge ndiri kusangana nazvo izvi.
Munoziva ndakaita kuridza tsamwa iyo
yakavhundutsa nehuku dzaive
pachivanze ndokutanga kuchema,
ndakaona hanzvadzi dzangu
dzonditarisa uku dzavhunduka.

Zuva rakasvika pakudoka


ndichipishana nepfungwa dzangu kuti
ndoita sei kuti ndive ndinonunura
mumwe wangu. Ndakafungisisa
ndikabuda nemusungo wekuti
ndaifanirwa kutoshandidzana
nevamwe varindi, zvichida ndivo
vaizondinzwisisa, kunze kwadoka
ndakaenda kuchizarira kuya ndiko
kunoona mumwe wevarindi apo vaive
vakarinda pachizarira, ndakamutaurira
zvandainge ndafambira ndokunzwa
otaura achiti.

"Murandakadzi ruregerero, ini


zvamataura hangu handizvikwanise,"
Akadero achiratidza kutya uye
kuvhundikira vhundikira
ndokuenderera mberi otaura achiti.

"Murandakadzi wangu ini


handikwanise hangu" Akadero ave
nekutya, ainge akuita kufemera
pamusoro izvo ndakaonawo, kana pari
pachifuva pake zvaingoonekwa kuti
hana yainge iri kurova.

Ini ndakatora mukana uyu


ndokutaurawo ndoti.

"Ndinoziva kuti Takunda uri kutya, asi


edzawo kunzwa kuchema kwangu. Iwe
sekuona kwako Chimuswe akave anofa
ndinosara nani pano panyika.
Ndinokupa kunyangwe chaunenge
wada, kunyangwe ukataura kuti
mombe gumi ndinokupa" Ndapedza
kutaura mashoko aya ndakaona
Takunda achiratidza kushamisika
ndokutanga kunyemwerera ndiko
kuzopindura oti.

"Kana zviri izvo machena, chiregai


ndinonzwa vamwe vangu kuti
vachataura vachiti kudii? Ini kuti ndive
ndinoshanda ndiri mumwe chete
panyaya iyi hazviite hazvo"

"Kana zvirizvo ndichadzoka


remangwana racho ipapo ndipo
pauchave unondiudza kuti
mabvumirana kudii? Asi nhau iyi
haifanirwe kuve ne mumwe munhu
anoipindira mukati, tinofanirwa
kungoita tsoro dzedu ini ndiri
wechina" Ndapedza kutaura mashoko
aya ndakafamba ndoenda kuimba
yangu yekurara. Ndasvika hope
dzakaramba kana nekuuya kose,
ndaizowana rugare mushure mekunge
tsoro yangu yabudirira, ndainge
ndakungonamata kuti nhau yangu ive
inoenda nenzira yakanaka..........

*TAKUNDA NEVAMWE VAKE*

Takunda mushure mekunge


aparadzana nemwanasikana waMambo
anoenda kune vamwe vake ndiko
kunovapira nyaya yainge arumwa
nzeve naRunako. Muchinda Juru
anzwa kutaura kwaTakunda murume
mukuru akatanga anyemwerera
ndokupindura oti.
"Inga ari kumusoro uko anoda
kutendwa, iyi inhau yakanaka kwazvo.
Apa kaah paita zvepfuma varume.
Musatamba nemombe gumi machinda
angu. Kunyangwe ini ndisati ndapedza
kunoroora mukadzi wangu ndinobva
ndanopedzisa, asi mushure mekunge
taponesa murume uyu hupenyu
hweduwo huchange hwave pakaoma,
zvichireva kuti taponesa Chimuswe
tinofanirwa kuva tinobva mudunhu
rino nemhuri dzedu" Akadero Juru
ndokutanga kupuruzvira musoro wake.

Muchinda Tobaiwa ndiye ainge


akanyarara, vaviri ava vachitaura,
papera chinguva Takunda akataura oti.
"Ko iwe Tobaiwa kuzonyarara warwara
here varume. Panhau iyi hausati
wataurawo maonero ako." Akadero
Takunda atarisa Tobaiwa.

Tobaiwa akaita zvekuvhundikira


ndokuva anotarisa vamwe. Akaita
chinguva akavatarisa ndokuzotaura
oti.

'Varume ini panhau yamuri kuronga ini


musave munondipinza mukati. Ini
handikwanise hangu. Handikwanise
hangu kuva ndinonyengedza Mambo
wangu uyo anovimba neni. Kana
muchiita tsoro dzenyu itai asi
musandiisa pakati, tsoro yenyu iyi
hakuna kwainosvika sekuona kwangu
uye remangwana muchava
munochema neni. Idzodzo mombe
gumi ndidzo dzamungabva
manyengedzwa nadzo nemwanasikana
waMambo here? Zvichida Mambo
muripo wedu vachave vanotipa zvikuru
kudarika zvamuri kufungira. Kana idzo
mombe gumi dzamuri kutaura
dzinogona kupiwa umwe nemumwe
pamunhu..ndiko kupera kwemashoko
angu" Tobaiwa akataura mashoko aya
aine kutya mukati. Chainge ari kutya
aive Mambo Moto uyo aiziva kutonga
kwake. Apedza kutaura mashoko aya
akapakata zvombo zvake ndokutanga
kutenderera nechizarira, uyu Takunda
naTobaiwa ndivo vakasara voshaiwa
neremuromo. Vainge vangoti tuzu
vakatarisana ....

*End Of Chapter*

.
https://chat.whatsapp.com/ICNKoz8XJ
dQ0s0KJ5oVNGg

https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/

*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*
STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 9

*CHIMUSWE*

Ndainge ndave nemazuva anokwana


iwo kuita maviri ndakavharirwa
muchizarira umu. Misodzi ndiyo yainge
yachigwamba nematama, kuchema
kuya kunenge kuri kugarika. Munguva
iyi ndaingomera chete. Shungu
dzekuchema ndainge ndisisina uye
dzainge dzakapera, ukuwo nerimwe
divi nzara ndiyo yaindibvunza mutupo.
Mate mukamwa ainge ati tsvai kuri
kupera. Nyoka dzemudumbu wainnzwa
dzichiita kumhanyidzana,
ndaitozviponesa nekuva ndinobudisa
mweya.

Tarisiro yekuti ndaizove ndinorarama


ndainge ndakatoibvisa mandiri.
Ndainge ndangomirira zuva rekuti
ndizogurwa. Chaingondirwadza
ndechekuti ndainge ndisiri kuziva kuti
Amai vangu vaive vapenyu here kana
kwete, zvichida Mambo mushure
mekunge vandivharira muno vakatora
mukana uyu kuva anouraya mubereki
wangu.

Pandakafunga vangu Amai misodzi


yangu yakatanga kuva inoyerera.
Hapana chimwe chinhu chandaida uye
chandairaramira pano panyika kunze
kwevangu amai vangu. Munhu anonzi
Amai pano panyika ndiye munhu
akakosha. Amai ndivo vaive vakaita
kuti ndisvike pandaive uye ndivo
vanga vakandiisa panyika.

Ndakagara ndega kudaro ndakatanga


kutaura ndoti.

"Mwari kana Amai vangu vari vapenyu


ivai munovachengeta, ndiwo
munamato wangu muzuva ranhasi.
Ngazviitwe sekuda kwenyu kwete
nekuda kwemuvengi. Muvengi ngaave
ano shaya simba. Zvose ndinosiira
kunemi ari kumusoro. Inga wani
makataura mushoko renyu mukati
anochema muchamunyaradza, neniwo
muzuva ranhasi ivai
munondinyaradza" Ndapedza kuva
ndinomataura ndakatanga kupumha
pumha zvinhata izvo zvaive pamuviri
wangu. Kana uri muviri wangu wainge
angove maronda ronda, nekuda
kwerima raive mumba umu
ndaisakwanisa kumaona asi ini ndega
ndaizvinzwa. Zvekurumwa
nezvinyavada ndainge ndatozvijaira
hangu, mamazuva ekutanga
ndaimborwadziwa asi nekufamba
kwemazuva ndainge ndisingachanzwe
kurwadziwa.
Ndakatanga kukambaira neimba
ndotsvaga imwe nzvimbo, ndiko
kuzoenda pedyo nechekumukova apo
ndakanozembera kumadziro. Hope
dzakabva dzatondibata ndokutanga
kurota zvekare murume uya achitaura
kutaura kwake kwemazuva ake asi
muzuva iri ndakave ndinorota tisiri
padare asi taive mune rimwe sango.

Murume uya akatanga kutaura oti.

"Chimuswe dunhu nderako. Tora


tsvimbo iri pamberi pako. Uri Mambo
iwe" Akadero murume uya, ini
ndakatarisa chiso chake asi handina
kukwanisa kuva ndinomuona
zvakanaka sezvo chainge
chakavanzika, kumeso kwemurume
uyu kwaita kunge kwaive nemhute.

Ndakapindura ndoti.

"Iyeni kuita Mambo here? Kuita


Mambo wedunhu ripi zvekare?"
Ndakabvunza ndoda kunzwisisa,
murume uya ndokupindura oti.

"Humambo nderweropa uye


nderwemhuri. Humambo hunofanirwa
kudzokera kuropa rekwako. Mambo
arikutonga haasiriye Mambo"

"Ari kutonga kupi? Nekuti ini Mambo


wandinoziva ndiye mumwe chete
Mambo Moto. Huye ndinoda kuziva
zvekare kuti imi ndimi ani munoramba
muchiuya kuhope kwangu. Kana muri
midzimu mashaya kumwe
kwekusvikira here? Ini ndoonekwa
ndoita Mambo nezera rangu irori here?
Ndaita mwana mudiki pazviri. Ndonoita
Mambo wedunhu ripi? Ini
handikwanise hangu, iyezvino
ndasarirwa ne mazuva mashanu kuti
ndive ndinogurwa musoro wangu.
Saka ndichazoita Mambo ndave muvhu
here?"

Ndakatanga kuyeredza misodzi,


murume uya akandipukuta misodzi
yangu ndiko kuzonyangarika, mushure
mekunge anyangarika ndiko
kuzopepuka kwandakaita uku ndichiita
kakuvhundikira.

Ndakabata hana yangu iyo


yandakanzwa ichiita kupaunga.
Ndakaedza kubatanidza zvandainge
ndabva mukurota asi ndakatadza
kubuda ne mhinduro imwe chete
zvayo. Hope dzacho dzainge
dzakutondishungurudza,

Zvino kana ndaive Mambo. Humambo


hwacho ndaizohuitira muguva here?
Chokwadi murume wekuhope kuona
kwangu dzinenge dzaitamba nevana,
regai vakuru vachitaura vachiti zviroto
zviroto. Uye zviroto ngazvipere
kuhope. Ndakaerekana ndoridza
tsamwa iyo yakave inondivhundutsa
neni wacho.

Ndakatozobudiswa mundangariro
dzangu nekuda kwechinyavada icho
chainge chandiruma. Chainge chanoita
kuruma panyama nhete chaipo,
ndakashinyira uku ndochibvisa.
Shungu dzangu dzose ndakave
ndakazodzipedzera pachinyavada ichi..

Mushure meizvi ndakatanga kufunga


wangu mudiwa pamwe chete naDhigo,
vaviri ava ndivo vaigona
kuzondibudisa. Kana ari Dhigo
ndaiziva hangu kuti pane zvainge ari
kuronga kuti ave anondibuditsa,
ndaingonamata kune ari kumusoro kuti
tsoro yake ive inobuda zvakanaka.
Imwe pfungwa ndiyo yaindiudza kuti
Dhigo asiyane nezvainge arikuronga
kana zvainge zviripo. Sekuona kwangu
zvaitovepo. Dhigo aive munhu wangu,
dai aisave wangu aizoedza kuti ndive
ndinosangana nemudiwa wangu. Kana
zvaivepo zvaironga aifanirwa kuva
anosiyana nazvo, ndaisada kuti ave
anofira mhosva yangu.

*TAKUNDA NEVAMWE VAKE*

Kunze kwaive kwakati hweee kusina


kana nechikore zvacho, kumabvazuva
ndiko kwaive nezvikorewo. Zuva
raipisirira asi kwete zvemunyanyo
zvekuti ungatoona munhu osiya kuita
mabasa ake achiti kunze kwapisa.
Kuzasi kwemuzinda waMambo ndiko
kwaibva ruzha rwemabhera emombe
idzo dzainge dziri kufudziwa. Kuzasi
kwemuzinda uyu kwaive nebani guru
kwazvo, mushure kwebani
kozoteverawo gomo guru iro
raisheedzwa nezita rekuti
Domborevatsvene. Mugomo umu
maive nezvitubu zvaivemo zvekare
gomo iri raiyera, makore apfuura
pachimbova nemumwe mambo
raionekwa richiva rinopfuta kana
kutinhira. Mushure me kuitika izvi
vakuru vedunhu vaibva vaziva kuti
kune chikuru chinenge chichida kuitika
uye panengr pane chinenge chichida
kugadziriswa.

Mushure mekunge mazouya Mambo


Moto gomo iri harina kuva rinozopfuta
pamwe chete nekutinhira. Makare
raigona kuva rinotinhira kunze kwakati
hwee kusina kana negore zvaro ari
masikati machena, kana kuri kutsva
waingoona moto uchibvira asi pasina
miti kana huswa hunenge huri kutsva.

Muzinda waMambo Moto waive pakati


pemapani, kumusoro kwaive nebani,
kuzasi kuchiva nebani zvekare.
Kumusoro uko kwaive nebani ndiko
zvekare kwaive nedziva iro raive
rakakura kwazvo,....
Kuchizarira uko kwaive kwakavharirwa
Chimuswe, kunookwa Takunda
nevamwe vake vakabata zvombo
zvehondo vachitenderera chizarira.
Ave manheru mwanasikana waMambo
anoenda kunaTakunda achida
kunomubvunza maringe nezvenhau
yaive akambomuruma nzeve.

Takunda anopindura achiti.

"Murandakadzi wangu, ini


handikwanise hangu. Vamwe vangu
vakarambirana nekutaura kwangu"
Akadero Takunda uku hana yorova
zvisina ani akamboona.

Runako anotanga aridza tsamwa ndiko


kuzotaura oti.

"Unomboziva here kuti uri kutaura nani


mashoko auri kutaura. Regai
ndikuudze wamuri kutaura naye
mwanasikana waMambo, zvekuti
vamwe vako vakaramba ndiwe
unozviziva ini hapana chandinoziva. Ini
chandinongoda kuti muponese
mudiwa wangu, zvekuti vamwe vako
vakaramba ndiri kutozvinzwa nemi.
Mushure mekusaita izvi ndichave
ndinoona kuti ndakutsvagirai mhosva.
Kutonga kwaBaba vangu imi
munokuziva kuti vanotongera
chitororo uye mutongo wavo rufu,
remangwana chairo ndinoda kuti muve
munondipa mhinduro inondigutsa,
mushure mekusaita izvozvo
ndinotangira pamunenge masiira.
Ndiko kupera kwemashoko angu"
Runako apedza kutaura mashoko aya
akafambisa odzokera kuimba yake
yekurara, ukuwo Takunda ndiye
anosara abata murumo wake
achiratidza kushamisika. Anobva
aenda kuna Tobaiwa ndiko
kunomupira mashoko aya, sezvo
vaitya kuzonenerwa mhosva
vanoronga kuva vanouraya mumwe
wavo Tobaiwa uyo vaitya kuti aigona
kuzovatengesa. Mushure mekunge
vauraya Tobaiwa vanoenda kunoisa
chitunha chake kugomo pavanodzoka
vachiti vazovhurira Chimuswe ndipo
pavanosangana na....
*End of Chapter*

.
.
.huyai mutenge tezvara nemuroora full
book nhasi papromotion..unobva
wapiwa nemamwe ebonus mushure
waritenga.

Bonus novels

Is.loving you a crim

Follow my feelings

Gokwe garden boy


Life of dambudzo

Ndibatei pa whatsapp nelink iro


https://wa.me/message/UFDHKHM5PH
DTH1 titaurirane, zvichemo
ndinotambira
https://chat.whatsapp.com/ICNKoz8XJ
dQ0s0KJ5oVNGg

https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/

*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 10

*MUDUNHU RAMAMBO MOTO*

Takunda nemumwe wake pavanodzoka


kunorasa chitunha chaTobaiwa,
vanosangana naDhigo uyo aive
nemamwe machinda aMambo.
Mukomana Dhigo ndiye anenge
akaona kuurayiwaa kwaTobaiwa ne
zvavainge zvakurukura vaviri ava.
Takunda naJuru mukuita izvi havana
kumbofungira kuti pangave angawana
ari kuvaona. Dhigo kubvira zuva
rekutanga apo pavharirwa Chimuswe
anenge akaongorora mafambiro
anenge achiita machinda anenge
akarinda pachizarira, kunyangwe
kufamba kwaRunako anenge
akakuongorora zvekare. Zvainge
zvakataura Runako achiudza machinda
anenge akazvinzwa. Izvi aizviitira kuti
Chimuswe asawana anomuponesa uye
aiziva kuti Runako pane zvaizoronga.
Takunda naJuru mushure mekunge
vasangana naDhigo nemachinda
vanopindwa nekutya pamwe chete
nekuvhunduka, kana ari saTakunda
ziya rinotanga kuteuka nemuviri wese.
Uyu wedu Juru ndiye ainge akuhutisa
muviri wese kuita kunge huku yainge
yanaiwa.

Dhigo akatora mukana uyu ndokutaura


oti.

"Imi ndimi muchafa rufu runorwadza


kudarika iye Chimuswe wamanga
muchida kusunungura. Midzimu yenyu
yakufuratirai muzuva ranhasi. Tinoti
nedzoi." Akadero Dhigo ndiko
kuzoridza tsamwa, Takunda nemumwe
wake vanotarisana ndiko kukanda
miseve yavo pasi ndokutanga
kumhanya vakananga kuzasi
kwemuzinda uko kwaive nezibani,
vainge vafunga kutiza vachibuda
mudunhu iri. Kuti vave vanorwisa
varwi ava vakaona kuti vaizoitwa
hwehuku sezvo vaive vashoma.
Vachitiza kudaro havana
kwavakakwanisa kusvika sezvo pari pa
kumhanya machinda acho
aivamhanyisa dzaive mhepo chaidzo.

Vabatwa kudaro, vanoendeswa


kunovharirwa mune chimwe chizarira
umo vakazorara varimo husiku heede
vakachengetedzwa vakamirira
kuzotongwa kwavo remangwana racho
naMambo Moto.

Mangwana acho kwachena Mambo


Moto anoziviswa zvainge zvakaitika
nezuro wacho. Mambo Moto
anotsamwisa nazvo, anoudza
machinda ake kuti akokorodze vanhu
vemudunhu rake. Mushure mekunge
vanhu vaunganidzwa Takunda naJuru
vanoenda kunotorwa kuchizarira
kwavainge vakavharirwa ndiko
kunomiriswa mberi kweruzhinji.

Mambo anotanga kutaura oti.

"Vanhu vangu ndofunga nyaya


yandakukurodzai hamusati maiziva.
Regai nditange kutaura ndichiti, idzi
dzimire kuno ndidzo nhire dzedunhu
rino uye ndivo vatengesi vedunhu rino.
Marimwe zuro vakauraya Tobaiwa uyo
ainge aramba kubvumirana navo kuti
vave vanobudisa Chimuswe. Sezvo
muchiziva kutonga kwangu
kwemazuva angu ava ndichida kuti
vabayane nemapfumo pachavo.
Hapana achavauraya asi ivo ndivo
vachaurayana. Uyo Chimuswe mazuva
ake aganhurwa, nekuda kwezvaitika
izvi Chimuswe achave anouraiwa
muzuva ramangwana." Mambo
akataura mashoko aya neinzwi gobvu
gobvu. Amai vake vaive pakati
pechaunga vanotanga kuyeredza
misodzi vakatsikitsira pasi. Runako
zvekare aive mukati mechaunga umu
misodzi yake inotonga kuyeredza na
nematama ake, anotanga kubva
muchaunga oenda muimba yake
yekurara ndokunotanga kuchema
ariko. Mwanasikana ainge achipererwa
zvino kuti oita sei? Danho rake rainge
akafunga rainge rakaramba kuva
rinofamba negwara, zvichireva kuti
mudiwa wake ndiko kwainge kwatove
kufa kwake.
Misodzi inoyeredzana nematama ake
isina kana anopukuta, asi anozviudza
kuti Chimuswe ndiye aizorega kufa
hunge iye ari mupenyu. Muzuva
ramangwana racho rainge raraurwa
kuti ndiro raizourawa Chimuswe,
Runako anozviudza kuti aizoita zvisati
zvamboitwa pasi rino. Kana
achizozviuraya ainge azvipira.

Ukuwo kugungano vanhu vanosara


voita mahone'ra, varume ndivo
vaitoridza muridzo vachiratidza
kufarira. Mumwe murume uyo aive
baba vaDhigo vanosimuka pavainge
vakagara ndokudanidzira votaura voti.
"Mambo wangu kutonga kwenyu
kunonakidza uye kunofadza isu vagari
vedunhu rino. Ndafara zvangu
nemutongo wenyu. Handifunge kuti
muno mudunhu tichazowana mumwe
mambo anotonga semi. Kutonga
kwenyu kwakarurama uye kwakati
twasa. Asi ini ndave nechikumbiro.
Ndanga ndichikumbirawo kuti iye
Chimuswe achiurawa muzuva ranhasi.
Ini ndanonokerwa nekufa
kwemukomana uyu. Dai zvaigona
angourawa muzuva ranhasi nevamwe
vake ipapo, chero vamwe vanomirawo
neni ipapo" Apedza kutaura mashoko
aya anotanga kutenderedza maziso
ake otarisa vanhu achifunga kuti
aizowana anobvumirana naye asi
pakashaya kana mumwe zvake.
Vakadzi ndivo vainge vangochiisa uso
rwavo pasi. Kana dziri chembere
neharahwa ndidzo dzaive dzabata
shaya, mushure mekarunyararo
kunozonzwika kuridza muridzo
nemupururu. Izvi hazvaireva kuti
veruzhinji vainge vabvumirana nazvo
uye kuzvifarira asi vaitya kutonga
kwaMambo wavo. Zvaive pakati pakati
pemoyo uye zvavaifunga ndivo
vaizviziva.

Mambo Moto anosimuka pachigaro


chake chainge agara ndiko kutaura oti.

"Mhutengezi ndanzwa kutaura kwako


asi sezvandambotaura Chimuswe
achafa muzuva ramangwana, uyo
ndinoda afe kufa kunorwadza uye
kwakasiyana nevamwe vake avo
vachafa nhasi. Ndiko kupera
kwemashoko angu. Imi machinda angu
ipai vakomana avo mapfumo vabayane
tione kuti mukuru ndiani, anenge asara
ari mupenyu tinoti makorokoto asika
anenge asara wacho ndini
ndichamuuraya," Mambo Moto anobva
agara pachigaro chake. Uyu
Mhutengezi aive baba vaDhigo
anoonekwa onyaririra uku achitora
chigaro chake. Takunda naJuru
vanosvitswa zvombo zvehondo ndiko
kutangisana kurwisana. Pari pakurwa
Takunda yaive nyanzi chaiyo asi kuti
muzuva iri aisada kuuraya mumwe
wake asi aida kuti Juru ave
anomuuraya ariye. Takunda anoita
zvekutungana kwembudzi ipapo Juru
anoita zvekwakuka akabata pfumo
rake. Anoonekwa achiregedzera
nechepachifuva chaTakunda.

Takunda anoonekwa achidzadzarika


ndiye sarai. Uyu Juru ndiye anobva
angoregedzerwa pfumo naMambo
Moto. Pfumo iri rinosvika richinonyura
nechepahuro apa, Juru anozodha
pfumo riya rakati zete ndokutanga
kuhwaira akadero dzamara ati sarai.
Mushure meizvi kunonzwikwa mhururu
nemuridzo ndiko kuzoparira kwevanhu
voenda kudzimba dzavo uku
vachingodzungudza misoro yavo
vamwe vachichema. Kufa kwaTakunda
naJuru kunenge kwarwadza vazhinji
kunyanya hama neshamwari.

Kuchizarira kwaive naChimuswe


kunenge kwave nevarindi gumi avo
vanenge vakapataka zvombo.

Muchandiuraya mai vaChimuswe


vanosvika kumba votanga kuchema
zvinopisa tsitsi. Vanonzwikwa kutaura
voti.

"Ari kumusoro asi ndakatadzeiko.


Chokwadi dzinza rose zvoropererera
kwakaenda vamwe. Iyeyu Chimuswe
ndiye wandainge ndakati ndiye
achandinyaradzawo maronda ari
pamoyo wangu" Vapedza kutaura
mashoko aya vanotanga kuzvirovera
kumadziro, chihanzvadzi
chaChimuswe anotanga kuvabata kuti
vasave vanozvikuvadza.

"Amai zvinowanikwa, isu ngative


tinonamata kuti mukoma muzuva
ramangwana vasave vanourawa,"
Chihanzvadzi chichipedza kutaura
mashoko aya kunoonekwa kuchipinda
munhu ainge asina kutarisirwa nevaviri
ava. Muchandiuraya nehanzvadzi
yaChimuswe vanotarisana uku
vongohwaira, kana dziri hana dzainge
dzoita kunge dzichadambura mbatya
dzavainge vakapfeka..
*End Of Chapter*

.
.
.
https://chat.whatsapp.com/ICNKoz8XJ
dQ0s0KJ5oVNGg

https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/

*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*

Handigone kunyora, asi ndirikuedzawo


zvandinogona.
STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 11

*MUCHANDIURAYA NEMWANA
WAKE*

Panopinda munhu Muchandiuraya


nemwana wake vanoramba
vakatarisisa munhu uyu.
Vanoshamisika kuona munhu uyu ari
Runako mwanasikana waMambo Moto.
Ipapo anotarisana iye nemwana wake,
kupinda kwaRunako kwainge
kwavatyisa vainge vasina kutarisira
kuti Runako aizosvika pamusha wavo
arikudei zvekare? Muchandiuraya
akazvibvunza mubvunzo uyu akashaya
anomupa mhinduro inomugutsa.
Runako apinda kudaro anoenda
kunogara pachidhava chaive mumba
umu ndokutaura oti.

"Makadii Amai" Apedza kutaura


mashoko aya anobva apfugama
ndokutanga kububudza maoko ake,
kwaive kuratidza tsika pamwe chete
nehunhu. Muchandiuraya anoramba
akahunjura maziso achingohwaira
hwaira. Mashoko anoramba kubuda
mumukamwa make.

Mwanasikana aona izvi


anozvidzikamisa ndokutaura oti.
"Amai musavhunduka kuva
munondiona ndiri pano pamusha
wenyu. Ndakamiririra Baba vangu
ndinokumbirawo ruregerero pane zviri
kuitika nezvakaitika. Zviri kuitika
neniwo hazvisi kuva zvinondifadza.
Ndiri kutorwadziwa kutodarika
kurwadziwa kwamunofungidzira uye
kwamuri kuita imi. Ini Chimuswe
mudiwa..." Runako haana kuzopedzisa
kutaura uku agamiwa
naMuchandiuraya uyo akamujinura oti.

"Mwanangu uri kuti mudiwa wako


pakai? Mwanangu Chimuswe
haakodzeri kuva anodanana newe. Iko
kudanana kwenyu uku ndiko kwave
kutipinzisa munataisireva. Hupenyu
hwedu hwave parumunana nzombe.
Paakukanda shoko rerudo wakadii
kuva unomuudza kuti ini nezvako
handidi. Dai uri mumwe usina kuva
unotsika pane uno musha nekuti
moyo wangu wabva watowedzera
kubaikana chaiko." Akadero
Muchandiuraya ave neshungu pamwe
chete nehasha.

Apedza kutaura mashoko aya akatanga


kuchema, hasha ndidzo dzainge
dzamukurira. Runako akashaya kuti
oita sei? Akazvishingisa ndokuerekana
asimuka painge akagara oenda paive
naMuchandiuraya uyo aichema.
Anotanga kuvapukuta misodzi yavo.
VaMuchandiuraya hapana kana
chimwe chavakaita kana kutaura,
vakamirira Runako kuti apedze
kuvapukuta misodzi yavo. Runako
apedza kuvapukuta Muchandiuraya
akataura oti.

"Murandakadzi moyo wangu uri


kubaikana, ndinokumbirawo
ruregerero nekutaura kwandaimboita
uchisvika muno mumba. Ndatadza
kudzorawo kutsamwa kwangu. Iwe
hauna mhosva panyaya iyi asi
chimbondiudzawo kuti ndosara naniko
kana Chimuswe akave anourawa.
Chimuswe ndiye mwana wangu ega.
Ndinokumbirawo ufuratire uno musha
usati waonekwa ne vanhu. Hupenyu
hwangu hunowedzera kuenda
munjodzi ukave unoonekwa uchisvika
pane uno musha, isu tagara titori
vavengi venyu. Izvi iwe haungazvizive
uye kuzviznwisisa" Akadero
Muchandiuraya ndokutarisa Runako,
uyu Runako ndiye akapindura oti.

"Muri vavengi venyu pakai nhai Amai?


Mashoko aya akasi kekutanga kuva
anopinda munzeve dzangu. Amai
ndinokumbirawo kuti muve
munonditaurira zvinonzwisisika"
Runako anotaura mashoko aya achida
kuziva chokwadi. Anorangarira zvekare
kuti Amai vake vaigara vachitaurawo
mashoko aya. Muchandiona anotanga
kuruma ruma achitaura
zvaisanzwisisika, izvi zvinoratidza
kuna Runako kuti hapana chaiudzwa
chinobatika ndiko kutaura oti.

"Amai ndinoda kuti muve munobata


mashoko angu. Chimuswe ndiye asiri
kuzofa. Kana akave anofa inenge
yatove Hondo. Hondo inenge
yachitangidza zvino." Runako akataura
mashoko aya akazvininipisa, kana ari
hana yaMuchandiuraya yakatanga
kupaunga kuita seichatsemuka
ikazvigadzika kwakadero. Hanzvadzi
yaChimuswe above Chirinda ndiye
ainge angochibata shaya akagara
kwakadero uku akayeva zvainge zviri
kuitika.

"Kana uchiti hondo inenge yatanga


urikureverei" Muchandiuraya
anobvunza oda kunzwisisa, kutaura
kwaRunako ainge asina kukunzwisisa.

Muchandiuraya akaenderera mberi


nekutaura oti.

"Uchirevera kuti uchave


unopandundikira baba vako here?."

Apedza kutaura Runako akatanga


aridza tsamwa ndokupindura oti.

"Inga mazvireva wani. Chimuswe


ndinomuda amai. Moyo wangu
wakarovera paari chete. Ndinotadza
kuziva kuti neiko baba vasiri
kuzvionawo zviri mumoyo wangu.
Ndisingapedzi nguva nhau
yandafambira pano ndauya
kuzokurumaiwo nzeve. Chimuswe kuti
asave anofa imi ndimi munofanirwa
kumira naye. Chamunofanirwa kuita
kuenda kunaBaba vangu
kunomukumbirira ruregerero uku
muchichema zvinopisa tsitsi."

Runako anobva abata maoko


aMuchandiuraya akamirira
kupindurwa.

"Ndanzwa kutaura kwako asi izvozvo


hazvina zvazvinobetsera
murandakadzi."

"Zvinobetsera. Mukanotaura
zvinonzwisisika uye muchikumbirira
Chimuswe ruregerero Mambo
vanonzwa kuchema kwenyu. Asi
mukunzwa kuchema uku vachada
muripo izvo ndizvo zvandinoziva."

Muchandiuraya akabudisa maziso ake


panze, panguva iyi haana kupindura.
Akatanga kutenderedza maziso neimba
achiita kunge pane chaitsvaga ndiko
kuzopindura oti.

"Asi ini hapana kana chimwe


chandinacho zvangu. Nehuku handina.
Kunyangwe neinokuma handina, kana
zviri zviyo nechibage handina. Zvino
Mambo vakanotaura voti ndinoda
inotsika ndinoitora kupi? Kutaura
kwako kwanga kuchigona kuva
kunobudirira asi pakati muripo apa
nerimwe divi kutaura kwaMambo
kwavaita nhasi handifunge kuti
vachadzora moyo wavo panhau
yaChimuswe"

Misodzi yaMandiuraya mushure


mekunge apedza kutaura yakatanga
kubuda, ndokududza manzwi otaura
achiti.. "Ari kumusoro ngazviitwe
sekuda kwenyu" Runako akatanga
kuvapukuta misodzi ndiko kuzotaura
oti.

"Kana iri nhau yemuripo haisi nhau


yakakurisa kwazvo. Ndinogona kuva
ndinokubetserai nemuripo. Ndazvipira
zvangu kukupai mombe gumi. Kana
vakati zviyo nechibage ndinokupai
Amai."

Vaviri ava vakabvumirana izvi, Runako


ndiko kuzobuda kwake odzokera
kumba. Ari munzira kuenda kumuzinda
akaerekana asangana naDhigo uyo
anova anomira mberi kwake.

"Runako mwana wandinorwarira


ndafara kusangana newe." Dhigo
akataura izvi ndokutanga kusekerera
akatarisa Runako. Mwanasikana haana
kuva anosekerera Dhigo uyo aiziva kuti
yaive mhungu inoruma chaisingadye.
Mwanasikana waMambo akaridza
tsamwa ndokupfira Dhigo kumeso.
Dhigo anopukuta kumeso kwake uku
achisekerera, Runako ndiye anotaura
achiti

"Ndinookumbirawo kuti uve unobva


kumberi kwangu. Imwe nyaya zvekare
kana uchifunga kuti ini ndichakuda
moyo wangu muka ubike doro, udire
mukombe uzare nedoro. Ini handisi
kuzofa ndakadanana newe. Kuita
kwako kunotyisa, dai kusiri kuti
ndakuziva hunhu hwako zvimwe
ndaizodanana hangu newe asi haaa
kwete"

Dhigo achinzwa izvi akatanga


kunyemwerera ndokuti.
"Aha zvichireva kuti ndikakumbira
ruregerero unondiregerera kaaah nhai,
uye unobvuma kunzwa kwangu"

"Ukave unonotaura naMambo kuti


arege kuuraya Chimuswe
ndinokuregerera. Kana tichizodanana
tinogona kuzotangira ipapo hunge
taona kuti tinokodzera here kudanana"
Runako apedza kutaura mashoko aya
anotanga kufamba akananga
kumuzinda, iye ndiye aiziva zvaive
mumoyo make. Aida kuedza kose
kushandisa Dhigo kuti ave anonotaura
naMambo sezvo vainzwanana. Izvi
ainge azviitira kuti zvainge aronga
zvikatadza kuva zvinobudirira Dhigo
ndiye aizoshanda panyaya iyi. Zvichida
pa vaviri apa paizowana danho
rinomushandira.

Dhigo mushure mekunge Runako abva


paari akasara amire kuti angoyeva
Runako ainge ava chinhambwe,
mukomana akatanga kunyemwerera
uku oenda kumba kwavo uku otaura
ega achiti. "Hoo nhai saka Runako
anondiona kunge ndakapusa
zvekudaro here? Mushure mekunge
ndaponesa Chimuswe iye achatiza
naye ini ndosara ndiri pamhene
ndichingohwaira hwaira. Chimuswe
ndiye arikutozofa uye ndiye wandisiri
kuzoponesa uye Runako ndiye ari
kuzoita wangu. Mambo ndinoziva kuti
vachandibvumira kudanana
nemwanasikana wavo kuti ndive
ndinomuroora, papi pacho
pavacharamba kuti ndimuroore chero
iva Baba vangu ndinoona vachimira
neni panhau iyoyo sezvo
vachinzwananawo naMambo. Mambo
handione ari anondirambidza kutorana
naRunako sezvo ndirini
nyakumbovaudza kuti arikudanana
nemuvengi wavo, chepiri ndikave
ndinoita kuti ndibudise zvainge
zvakavanzika zvairongwa naTakunda
naJuru" ainge ari kutaura mashoko
aya ari munzira yekuenda kumba
kwavo. Mufaro ndiwo wainge wachiita
kupfachukira maari.

Ukuwo Muchandiuraya anosara


ogadzirira kuenda kudare raMambo
kunoita zvavainge vawirirana
naRunako. Vasvika kudare kuya
vanotanga kukumbirira mwana wavo
kuti ave anoregererwa. Vanenge
vachichema zvaipisa tsitsi. Mambo
anozonzwikwa otaura achiti.

"Ndanzwa kuchema kwenyu. Asi


ndichada muripo. Muripo wandichada
ndewekuti mwana wenyu musikana
ave anoita mudzimai wangu. Pasina
izvozvo hapana kuregerera
kwandingaita Chimuswe, uye muzuva
ramangwana ari kuzofa. Afa kudaro
ndichatangira pandinenge ndasiira.
Ndofunga kutaura kwangu
kwanzwikaa" Akadero Mambo
achiratidza kuva ne chokwadi
nezvainge arikutaura. Muchandiuraya
anovhundutswa nazvo sezvo ainge
asina kumbotarisira mashoko aya
kubva kunaMambo. Mwanasikana
wake anenge achiri mwana mudiki
takatarisa panhau dzekuti anzi ave
mukadzi akakwana.....

*End Of Chapter*

.
.
.
Zviri kuita here...taurai maonero enyu
ndapota hangu... Koitawo vari
kumagrps andaisa book ndave
kubudako. Saka vachada book join
grup nekuti mucharishaya, magrups
andiri awandisa
https://chat.whatsapp.com/ICNKoz8XJ
dQ0s0KJ5oVNGg

https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/

*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 13
*CHIMUSWE*

Mangwana acho ndakamuka kunze


kwatochena, zuva rainge rabuda.
Ndamuka kudaro ndakatanga
kugadzira pamubhedha wangu uku
ndoterera marwadzo angu. Nyama
dzangu dzainge dzichiri kundidzimba,
asi semunhu wechikomana
ndaingozvishingisa hangu. Ndapedza
kugadzira mubhedha wangu
ndakabuda muimba yangu yekurara
ndoenda panze apo ndakawana Amai
vangu Muchandiuraya vari kuchisukiro
uko vainge vari kusuka mandiro.

Ndakafamba ndoenda kuchisukiro


kuya ndokusviko vakwazisa ndoti.

"Mamuka sei Amai__" Ndakataura


mashoko aya ndichiratidza tsika
nehunhu uye ndakazvininipisa.

"Ndamuka hangu mwanangu_"


Vakandipindura vachitaura mashoko
aya ndiko kuenderera mberi nekusuka
ndiro dzavo. Ini pfungwa dzangu
ndidzo dzainge dzave kure. Ndainge
ndofunga Chirinda, ndaida kuziva
zvechokwadi kuti ainge ariko here
kwanaSekuru kwacho. Mazuvano
zvakutyisa izvi, unogona kungoti
munhu mupenyu iye ane
chakamuwana hake.
Ndakakoserera ndiko kutaura ndoti.

"Iye Chirinda wenyu ave nemusikinzwa


munomboziva here Amai , munhu
ndewekumuka achioneka achienda
kumba kwavo mhani. Izvozvi
mungandiudzawo here kuti achiri
kuitei kumba kwevanhu. Kunze
kwanguri kwachena kare. Kana riri
zuva raita kuvhenekera nyika yose__"
Ndakataura mashoko aya ndazarirwa.

Amai vangu ndivo vandakaona vomira


kusuka ndokunditarisa. Vakatora
chinguva vakanditarisa ndokuzonzwa
votaura vachiti.

"Achadzoka hake, chero akaita mazuva


maviri ari ikoko ndikoko ndikoko
Chimuswe, kwese kumba kwake. Rega
amboona vamwewo, inga wani ari
pazororo asi dai yaive nguva yechikoro
ndipo pataitaura zvimwe. Inga wani
vana vekwaSekuru vanombouyawo
vachirara kuno__"

Vapedza kutaura vakaenderera mberi


nekusuka, ndakatanga ndadzungudza
musoro ndokuti.

"Inzwaika Amai. Ko anenge achaita


mazuva maviri achiitei zvekare. Ko
zvinhu zvamakave makamutuma
kumagirosa zvinozouya nani. Heya
kana zvakadero muzuva ranhasi akave
anorega kuuya ndichaendako
kwanaSekuru ikoko_" Ndakaona Amai
vangu vachiita kuvhundikira izvo
zvakatove zvinondivhundutsa neni
wacho.

"Kwakanaka here Amai?"

Ndakabvunza ndoda kuziva sezvo


kuvhunduka kwavainge vaita kwainge
kwandityisa.

"Ehe kwakanaka mwanangu, aaah


heya kana iriyo nhau yacho
ndichaenda ndirini ndonomutora,
chokwadi Chirinda atove
nemusikanzwa. Iwe semunhu ari
mumarwadzo unofanirwa kumbozvipa
nguva yekuzorora mwanangu. Kana
ndapedza kusuka ndichaona kuti
ndaendako Chimuswe__"

Handina kuva ndinovapindura,


ndakavasiya vosuka ndiro dzavo ini
ndokutora nzira ndoenda kunoona
mabhururu angu ayo ndainge ndave
nemazuva tisingaonane, ndasvika
kudzimba dzavo ndakawana vachinzi
vainge vapinda mumasango umu.
Zvichireva kuti kana ndaizoda
zvekuvaona ndaizovaona nerimwe
remazuva. Zvezuva iri zvainge
zvaramba na'nga murapwa achida.

Chero ndaizoda kuzodzoka zuva


rodoka hapana zvazvaibetsera sezvo
vamwe vangu ava ndaiziva kuti
vakapinda musango vaisabudamo.
Regai nditaure ndichiti tikapinda
musango taisabuda zve kumhanya. Ini
nevamwe vangu ava kuvhima ndiko
kwaive kudya kwedu. Huye zvekare
kana tapinda musango taisadzoka
tisina chatinenge takabata mumaoko,
zvikave zvinoitika zvakadero anenge
achitova mashura makuru chaiwo.

Ndakazobva pamisha ye vaviri iyi


ndodzokera kwangu kumba uku
ndichingoridzirira muridzo. Ndiri
munzira kuenda kumba ndipo
pandakasangana naDhigo uyo
aitoridzira muridzo. Mushure ndamuti
baa ndakave nemufaro, ndaigotadza
nei ini ndainge ndane mazuva
ndisingazive kuva ndinoona mumwe
wangu. Dhigo aive bhururu wangu
wepamoyo. Ndakatanga kunyemwerera
ndakatarisa mumwe wangu uyo
ndakaonawo abudisa ake meno
pachena osekerera.

Mushure ndamukwazisa ndakataura


ndoti.

"Ndanga ndiine Shungu dzekukuona


bhururu. Ko bhururu nhau iya
yakazoenda nepamwewo unomboziva.
Chokwadi ndaive ndafa ini. Ndichifira
irwo rudo. Ukati ndichave ndichafa
here ini. Yandakabudamo nayo ndiyo
hombe__" Ndakataura izvi
ndosekerera, uyu Dhigo ndiye
akatanga kuhwaira hwaira ndokutanga
kundinanaidza achiita kunge pane
chaitsvaga pamuviri wangu ndiko
kuzotaura oti.

"Yowee aya mapundu here? Yuwii


chero iye anorwara anosara pasi__"

Ndakaseka ndokupindura ndoti.

"Kwatove kundiwanzira kwawave kuita


kaah uku kk. Usazodero iwe. Zvaive
kuchizarira mandaive ndakavharirwa
zvinokunda ngoma kurira. Zvaitoda
vakashinga moyo. Zvipukanana zvese
marize, zvinyavada nenhata. Chipiko
chaisavemo. Haa ndaive mujeri
chaimo. Kuchizarira munotoda
vakashinga moyo_" Ndakadero
ndotarisa Dhigo uyo ainge angoti
mwiro akanditarisisa.

Mushure mekunge apedza chinguva


asina zvaataura ndakamunzwa oti.

"Haaa zvakaoma chokwadi" Ndiko


kuzotura mafemo.

Ndakamubvunza ndoti.

"Zvii zvakaoma zvekare?"

Pane kuti andipindure akatanga atura


mafemo, ndiko kudzungudza musoro
wake ndokuzotaura oti.
"Ko iwe wakazozvifambisa sei nhai
Bhururu. Iwewe haubetsereke
unomboziva here? Akomana kaah ne
simba rose randainge ndaisa iwe woita
zvekutungana kwembudzi hako.
Makave munoonekwa sei? Asi
maitaurira pamusoro here? Iwe
Chimuswe kuita kwako kwakandisvota
unomboziva. Zvinoda kungwara izvi,
kuti changamu changamu kwete
zvekupusa pusa kuita semunhu
akazvarwa nguva isina kusvika. Dai
wakafa mhani, ehe dai wakave unofa
nekuti ndakave ndinorwadziwa ne
kuita kwako. Ini ndaisa simba rangu
ndichiti ndikubetsera wanguwo
bhururu iwewe ndipo powonoita
dzedzisimo. .." Dhigo ainge akuita
kupupa nehasha, ini ndainge
ndangochiti zii. Apedza kutaura
ndakapindura ndoti.

"Unoziva chiika Dhigo. Ungave


unondipa mhosva asi handina mhosva.
Runako wacho handina kuva
ndinotaura naye, hatina kutombotaura
tose. Mushure mekunge tambundirana
ndipo pandakaona takombewa
nemachinda. Kuti nditi akabva nekupi
machinda aya handina choziva,
chandiri kungoziva ndechekuti
ndakazobuda muchizarira mambo ave
anondiregerera" Ndapedza kutaura
mashoko aya ndakatanga kuseka,
ndokuonawo Dhigo ave kusekawo.
Ndisingazive kuti ainge ari kuseka
zvandainge ndiri kutaura here kana
kuti masekero andainge ndiri kuita. Ko
ndaiita kusekera pa chikomana kaah
nhai, ndichiita semunhu asingade
kuseka iye achida hake, ndofunga
masekero acho mabva mamaziva. Saka
ndikave ndinoti Dhigo aiseka chino
ndingave ndinonyepa.

Ndakamunzwa otaura achiti.

"Inga unotaura zvinosekesa


kunyangwe neari mugwenzi. Heya tave
panyaya naRunako iyo yekuchizarira
tasiyana uri kufunga kuita sei naye
Runako nhai Chimuswe___?"

Akandibvunza mubvunzo uyo


wandainge ndisina kutarisira, hana
yangu yakatanga kupaunga. Runako
ndainge ndisingachade kunzwa
nezvake, uye ndainge ndakamubvisa
mune dzangu pfungwa.

Ndakqpindura ndoti.

"Unoziva chii ka Dhigo. Ini Runako


handichada kunzwa nezvake. Tsuro
haipone rutsva kaviri sahwira"

Ndakanzwa Dhigo oridza tsamwa


ndokuti.

"Kahi wakupenga here. Iwe ndiwe


munhu akapusa mudunhu rino rose.
Izvi zvinovhundutsa, handisati
ndamboona munhu akapusa sewe.
Zvauri munhu wechikomana wani.
Munhu wechikomana
ndewekupindana neyese yese. Runako
ndiye wauri kutofanirwa kutoramba
uchidanana naye kuratidza Mambo kuti
utori bhinya chairo. Kana iri hondo
ngaitange. Chirinda haangaenderi
kunaMoto pasina___"

Ndakavhunduka nekutaura kwaDhigo


ndokumubvunza ndoti.

"Urikurevera chii. Watii panhau


yaChirinda__?"

"Heya hausati wazviziva here kuti uve


unoregererwa Amai vako ivo mbune
vakaenda kunaMambo vakati torai
henyu uyu Chirinda aite mukadzi
wenyu. Dai pasina izvozvo iwe usina
kuva unoregerwa uye ungadai
wakatofa muzuva ra nezuro__"

Nemashoko aya ndakaita kunge


ndainge ndataurirwa mashoko erufu.
Misodzi yangu ndiyo yakatanga
kuyerera, mashoko aya ainge
andivhundutsa uye ndainge ndisina
kumbozvitarisira, zvichireva kuti Amai
vangu vainge vakandinyepera here?.

"Dhigo une chokwadi nezvawataura


here?"

"Ndine chokwadi. Chero ari kumusoro


kana ndiri kunyepa anonditonga, heya
hapana anga ati akuudza. Chero ivo
Amai vako handi vangadai
vakakurumawo here, inga Amai vako
vakaoma. Kubvawo vakuvanzira nhau
yakadai here? Dai vaive vangu Amai
chero kuvaponda ndaitendera zvangu.
Kana vachiva vanokuvanzira zvakadai
zvichireva kuti panotove nezvimwe
zvikuru zvavanenge vari kukuvanzira,
regai nditaure ndoti uyu Runako
kunyangwe usingachamude
unofanirwa kumuita zvinoita kuti
Mambo atsamwe, iye zvaakatora
hanzvadzi yako iwewe chitorawo
Runako. Kana zvichiita ibva wamubata
chibharo, panhau iyi ndinogona kuva
ndinokubetsera, hapana anove
anokuona dzamara wapedza kuita
zvaunoda naye"

Handina kuzoramba ndoterera


mashoko aDhigo, ndakapinda munzira
yekumba uku ndofambisa, ndiri
munzira ndaingorasha tasha maoko
misodzi ndiyo yaingopopomedzana
dzamara ndasvika kumba. Ndasvika
kumba ndakawana Amai vangu vari
kumenya nzungu vari muimba
yekubikira. Ndakangosvika ndokubva
nda..........

*End Of Chapter*

.
.
.
https://chat.whatsapp.com/ICNKoz8XJ
dQ0s0KJ5oVNGg

https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/

*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 12

*CHIMUSWE*
Mushure me mazuva mashanu
ndakazobudiswa muchizarira ndichinzi
ndaive ndaregererwa, zvichireva kuti
ndainge ndisingachaurawe. Izvi
zvakatondityisa uye kundibvundutsa.
Mambo Moto ndamuziva ari munhu
ane hutsinye uye kuti aisaregerera
munhu pasina chinenge chaitika
kukuru. Zvaingove pachena kuti
mukuregererwa kwangu pane chaive
nechinodaro, izvi ndaizozviziva
nekufamba kwenguva.

Ndabudiswa muchizarira umu


ndakafamba ndoenda kumba uko
ndakawana Muchandiuraya vanova
Amai vangu vachichema vakabata
shaya, mushure mekunge vandiona
vakatowedzera kuchema uye kunzwisa
tsitsi.

Ndakanzwa kurwadziwa ndichiona


zvainge zvaita amai vangu. Vainge
vaita kuondoroka kuita kunge
rumbuswa. Ndakafamba ndoenda
pavainge vakagara ndiko kuvabata
maoko ndotaura ndichiti.

"Ndadzoka amai. Ndini mwana wenyu


Chimuswe ndadzoka ndiri mupenyu.
Mambo azondiregerera" Ndakataura
mashoko aya ndotarisa amai vangu
kumeso kwavo.

Amai vangu vakatanga vadzungudza


musoro ndiko kuzopindura voti.

"Kana mambo ave anokuregerera


tinotenda ari kumusoro." Ndiwo
mashoko akataurwa naAmai vangu
ndiko kuzonyarara, mhinduro yavo
haina kuva inondigutsa, zvekare
mufaro wavo wairatidza kuti wainge uri
kure. Semunhu aive ave nemazuva
asina kuona mwana wavo ndaitarisira
kuzoona wavo mufaro. Zvichida nyama
dzavo dzidzo dzainge dziri
kuvadzimba.

Ndakazogura runyararo ndotaura


ndoti.

"Ko uyu Chirinda arikupi wandisina


kuona Amai"

Ndakabvunza ndoda kuziva sezvo


Chirinda hanzvadzi yangu ndainge
ndisina kumbomuona. Chirinda aisave
mwana anofarira zvemumaraini, aive
munhu aifarira kugara ari pamusha
achiita mabasa, zvaizove
zvinondishamisa kuzonzwa amai
vangu votaura zvekumaraini..zvichida
Chirinda wacho vainge vave
vanomutuma.

Ndavabvunza mubvunzo uyu


ndakaona Amai vangu voita
zvekuvhundikira ndiko kuzobata hana
yavo nemaoko ose. Vapedza kuita izvi
vakanditarisa uku chiso chavo
chashanduka, chiso chavo chainge
chave chemunhu anonzwisa tsitsi.
Chero iye ainge afirwa aisara pasi.

Ndakanzwa amai vangu votaura


vachiti.

"Watii nhai Chimuswe, wataura here


mwanangu. Wataura uchiti kudii?"

"Hezvoo" Ndakakanuka ndotaura


mashoko aya. Handaitadza kukanuka
sezvo ndainge ndangoonawo kuti
kutaura kwangu vainge vakunzwa.

"Pfungwa dzanga dziri kure


mwanangu. Ondiregererawo hameno
kuti chii chandiri kufunga"
"Heya ndataura ndichiti ko uyu
Chirinda arikupi wandisiri kuona"

"Chirinda...aah Chirinda aaah uchireva


hanzvadzi yako here? Aah ndiye wauri
kureva wati Chirinda arikupi here?
Uchiti angaenda kupi hake. Aaah haa
ndamutuma kumagirosa, uchaona
achidzoka iyezvino Chimuswe"
Vakadero amai vangu vachiita
kakuvhundikira, izvi zvaive
nechinodaro. Ndakazosiyana
nekushungurudza amai vangu ndiko
kuzosimuka. Ndainge ndafunga
kubuda panze, ndatove pamukova kuti
ndibude panze ndakanzwa amai vangu
votaura vachiti.
"Odzoka pano mwanangu
ndimbotaurawo newe zvishoma
shoma" Muchandiuraya akataura
mashoko aya neinzwi raive pasi.
Ndakatendeuka ndiko kudzokera
pandainge ndambosimuka
ndozvigadzika.
Ndazvigadzika pakamboita chinguva
amai pasina zvavainge vataura,
waingonzwa kufema kwavo neni
pamwe chete neruzha rwemakonzo
ayo ainzwikwa achichemedzana ari
mudenga reimba. Denga reimba yedu
yekubikira raive remahuswa,.

Ini ndainge ndotofungira kuti zvimwe


amai vangu vainge vakangamwa kuti
vainge vandisheedza, ndoda kutaura
ndipo pandakanzwa vokosora ndiko
kuzotaura voti.

"Mwanangu tsuro haipone rutsva


kaviri. Ikapona kekutanga remangwana
acho inofa. Hongu Mambo ave
anokuregerera asi iwe chivawo mwana
kwaye, iye Runako wacho ibva
wachera chikomba upfire usiyane
naye. Hongu ndinozviziva kuti iwe
unomuda iye achikudawo asi kubvira
muzuva ranhasi chitozviudza kuti
handidi kufira rudo. Pasina kufa iwewe
nesuwo zvekare hupenyu hwedu
rwunenge huri pachitsiga. Urikunzwa
kutaura kwangu here mwanangu.
Ndinoda kuti kana ini ndichiva
ndinotaura uterere mashoko angu
pamwe chete nekumabatisisa. Vakuru
vanotaura vachiti muromo we vakuru
hauwire pasi. Ukave unoterera kutaura
kwangu handifunge kuti remangwana
unozopindana nedzawakapindana
nadzo idzi. Tarisa ini zvandaita,
ndangove musoro chete, kubvira
zvawaenda kuchizarira handina kana
kumbozoisa chikafu mumukamwa,
tarisa iwe zvawave. Muviri wese
angove maronda, izvi zvichingonzerwa
nekusaterera kwako..." Amai vangu
havana kuzopedzisa mashoko aya
nekuda kwemisodzi iyo yainge
yakuyerera nematama avo.

Zvakave zvinonondibaya pamoyo


chaipo kuona wangu mubereki
achichema uye achitaura mashoko ano
bata bata kudaro.

Ndakazvishingisa kutaura ndoti.

"Ndanzwa kutaura kwenyu amai.


Ndinokumbirawo kuti muve
munondiregerera uye ndinotaura
zvekare ndichiti ini Runako
ndakusiyana naye, regai nditaure ndoti
ndakatosiyana naye. Mhoti
neyandainge ndakapindana nayo iyi
ndipo pondoonekwa ndotunhaira
naRunako here? Ikoko kunenge
kwatove kuzviitisa uye ndinenge
ndode kutobikirwa doro"
"Kana uchitaura uchidaro zvakanaka"

Ndakavasiya vovesa moto ini ndiko


kubuda panze, nyama dzangu ndidzo
dzainge dzichiri kurwadza asi
semunhu wemurume ndaizvishingisa
hangu. Zvaive zvasangana nenzara,
Ndakaenda paive nesimbi dzangu
ndokutanga kusimbisa nyama dzangu.
Hongu zvairwadza semunhu aive
mumarwadzo asi ndaizvishingisa,
ndaitoona kuti zvaigona
kuzondibetsera kuti ndive ndinonzwa
zviri nani. Pfungwa dzangu ndidzo
dzaimbodzokera kuchizarira ndofunga
zvinyavada, misodzi yangu yakatanga
kubuda.
Ndakatozobudiswa mundangariro
dzangu nekuda kwaMai vangu avo
vakandisheedza.

Ndakasiya zvandaiita ndoenda muimba


yekubikira maive naAmai vangu.
Ndapinda ndakanzwa voti.

"Ndaisa mvura yekuti uzvigeze, kana


wapedza kuzvigeza wouya wodya hako
chikafu" Vakataura mashoko aya
vachiratidza kundinzwira tsitsi.
Ndeakaita sezvavainge vataura,
mushure mekunge ndapedza kugeza
ndakatangawo kunzwa zviri nani
pamwe chete nekupindwa nemhepo.
Kunyangwe hangu ndaive nenzara
chikafu handina kuva ndinodya
chakawanda, ndakangoruma ruma
ndiko kubva ndasiya.

Amai vangu ndakavanzwa voti.

"Gara nechepachituro apo ndikutove


mwanangu. Ndagadza mvura pamoto"

Handina kuva ndinoita hangu nharo,


ndakagara pachituro amai vangu
ndokutangisa kinditova.

Ndakagura runyararo rwaive pakati


pedu ndotaura ndichiti.

"Iye Chirinda nanhasi haasati adzoka.


Mambove munomutuma chiiko. Kana
chamutuma chacho anochishaya
chikumutadzisa kuti ave anodzoka
chiiko. Izvozvi aenda nekumaraini. Haa
Chirinda ndinomuziva ari munhu ane
hunhu. Zvino achiri kuitei.. Zvichida
pane zvamubata iko kumagirosa uku.
Amai regai ndione kuti ndatevera
Chirinda ndinoona chawana mumwe
wangu, kana zvichigona munodzoka
mopedzisa kunditova"

Ndakataura mashoko aya ndave


nekakutya. Chirinda naAmai vangu
ndivo vanhu vandairaramira,
ndatosimuka ndakaona Amai vangu
vandibata ruoko ndokutaura voti.

"Uchiti pane chamuwana here? Haa


anodzoka iyezvino uyo mwanangu
zvidzikamise hako"

Ndakazvidzikamisa sekutaura
kwavainge vaita ndiko kuenderera
mberi nekunditova. Zuva rakasvika
pakudoka uyu Chirinda asina
nekudzoka, ini ndainge ndave kutya
zvino. Chaindishamisa amai vangu
vaisaratidza kana kuvhundikira havo.

Ndakataura ndoti.

"Amai mune chokwadi chekuti


Chirinda mamutuma here?"

Pane kuti vandipindure vakaramba


vanyerere. Ini ndokuenderera mberi
ndotaura ndichiti.
"Kana mamutuma zvino arikupi
nanhasi, tarisai kunze kwatosviba iye
asina kudzoka"

Amai vangu vakaita kuvhundikira


ndokutanga kusekenyeka voti.

"Aaah kwasviba wena. Hoo


kutosikangamwa kuti Chirinda ndamuti
muzuva ranhasi kana achida anogona
kudzoka nekwaChiuswa avo vanove
vazukuru vedu, zvichida ndiko
kwaasvibirwa ari akaona zvakodzera
kuti ave anorara ikoko"

"Kana zvirizvo regai ndinomutora"


Ndakataura mashoko aya
ndatosimuka,

"Iwe Chimuswe wave kupenga here?


Chero akarara ikoko anobvei nhai.
Vanhu vekwaChiuswa inga dzingori
hama dzedu wani"

"Mhamha ndirikuda kunoona


zvechokwadi kuti ariko here? Tinogona
kuva tinofungira iye asiko hake."

Hana yangu yainge yave kurova, Amai


ndivo vakapindura voti.

"Dai ndisina kumuudza kuti ave


anodzoka neikoko tofungira zvimwe,
zvidzikamise hako mwanangu. Aaah
gara zviya hope dziya uchiri kudzirota
here?"

Vakandibvunza mubvunzo uyu ndiko


kugara kwangu pasi ndopindura
ndichiti .

"Hongu amai. Hope idzodzi dzave


dzinondishungurudza, kune weropa
redu hakuna aimbove Mambo here
Amai?"

Ndakabvunza mubvunzo uyu.

"Baba vako vaisave Mambo


Chimuswe"

"Ndati kune weropa Amai?"


Ndakabvunza zvekare sezvo mhinduro
yavainge vapinda yaisapindirana
nemubvunzo wangu

Vakatanga vashama na'i ndokupindura


voti.

"Ndave kuenda kunorara mwanangu,


toonana mangwana kwachena"
Vapedza kutaura izvi vakasimuka
voenda kunorara, ndakasara ndotaura
ndega uku ndongodzungudza musoro
ndiko kuzobudawo ndoendawo kuimba
yangu yekurara.......

*End of Chapter*

.
..
.
https://chat.whatsapp.com/HpMOplvuN
iiHWBzGVxECH9

https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/

*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 14
*RUNAKO*

Chero ndoona vanhu vane hutsinye


pano panyika rwevabereki vangu
hwaive kumberi. Kuona kwangu vaviri
ava chero kuroya vaigona kungoroya.
Ndaisavarambira, hutsinye hwavo
hwaive hwakaoma. Chimuswe ainge
akabudiswa asi mabudisirwo acho
ndiwo airwadza. Ini zvakandidzimba
moyo wangu handidi kunyepa.
Zvichireva here kuti Chirinda akange
atove mukadzi waBaba vangu, chiona
muzera wacho. Muzera wacho ndiwo
wairwadza. Mazamu ainge asati
atombobuda zvawo. Ndainzwa misodzi
yangu ichida kubuda asi ndaizvidzora
hangu.
Ugoona Amai vangu vaitoratidza
kuzvifarira havo. Semunhu wemukadzi
ndaitarisira kuona vachirwadziwa
nekuda kwemuzera waChirinda.

Ndakabuda muimba yangu yekurara


umo ndaive ndiri ndoenda kuimba
yekubikira uko kwaive nevangu amai,
ndasvika ndakutura mafemo ndiko
kuzotaura ndoti.

"Amai munondiudza here kuti nemiwo


makave munozvitendera kuti Chirinda
ave mukadzi waBaba, uye zviri
kukufadzai here? Kana zvisiri
kukufadzai nemhakayeiko makave
munotendera matakanana akadero"
Ndakataura mashoko aya ndazarirwa
nehasha. Ndakanzwa Amai vangu
votanga kuseka, kuseka kwacho
kwaitove kwekusvotesa. Nechaisekesa
pane zvandainge ndataura
ndakachitsvaga ndikave
ndinochishaya.

Mushure mekunge vapedza kuseka


vakataura voti.

"Iwewe kaaah haaa nhasi


wazondinakidza Runako.__" Vakataura
mashoko mushure mekunge vamira
kuseka.

Ndakavapindura ndoti.
"Chanakidza pane zvandataura apa
chii___?" Ndakavanzwa ndoda kuziva,
sezvo pane zvandainge ndataura
paisave nechinonakidza.

"Zvose zvawave unotaura


zvandinakidza mwanangu. Rega
nditaure ndoti zvekuti Chirinda ave
mukadzi waMambo kana
kumbozvisvunurira hangu. Unoziva
pane kuti ndive ndinorwadziwa ndiri
kutofara here? Tavewo nemuranda
pano pamusha uku zvekare ari
mukadzi waMambo "

Zvaa Amai vangu zvaitovhundutsa,


ndakave ndinovhundutswa nazvo ini.
Ndakatanga kuyeredza misodzi
ndakavatarisa, ndainge ndarwadziwa
hama dzangu. Ndakaerekana ndati
gojoto pasi ndokutanga kuchema
zvaipisa tsitsi. Amai vangu ndivo
vangochiti ndee vakanditarisa.

Mushure mekunge ndapedza kuchema


ndakavanzwa voti.

"Chauri kuchema apa chii nhai


Mwanangu. Iwe chimbondiudza kuti
chiri kukurwadza apa chii zvekare.
Chirinda wacho waunonzwira tsitsi
ndeweropa rako here. Chawakadyiswa
na chimuswe chikuru. Iko kuramba
kwako ochema uku zvichireva kuti
Chimuswe unomuda kaah. Naivo
Mambo ndinotsvakurudza chavakave
vanoregera kuuraya Chimuswe, dai
vakamuuraya zvayo. Uyu Chirinda
vaingozomutora oita mukadzi
wavo.__" Vasati vapedza kutaura
ndakavajinura ndoti.

"Amai"

Ndakataura mashoko aya neinzwi raive


pa denga uye riri gobvu. Amai vangu
ndakaona vachiita kuvhundikira,
havaitadza kuvhunduka sezvo ndainge
ndataurira pamusoro.

Ndakaenderera mberi ndotaura ndoti.

"Hamunzwe kurwadziwa makaita sei?


Nezera raChirinda here nhai Amai.
Chimbondiudzaiwo kuti Amai
Chimuswe vari kunzwa sei
nezvamakavaita. Iko ndiko kunonzi
kuroya chaiko. Heya munofara
nekushungurudza mhuri
yekwaChimuswe. Chayakatadza chiiko.
Iyo nhau yekudanana kwangu
naChimuswe ndiyo iri kukonzera zvose
izvi here. Nemhakayeiko musinganzwe
kurwadziwa"
Ndapedza kuva ndinotaura mashoko
aya ndakatarisisa Amai vangu kuchiso
chavo uku ndisingahwaire, ivo ndiko
kupindura voti.

"Iwe Runako ini zvekuchataura


handide zvangu. Iye Chirinda arikupiko
apure zviyo zvandiri kuda kunogaisa
kuchigayo."

"Amai regai ndinopura zviyo zvacho.


Zviri kupi?"

"Iwe ndiwe Chirinda here nhai


akomana"

"Handisi Chirinda asi zvamuri kumuita


zvakangofanana nekuti mukuzviitira ini
nekuti neniwo ndiri mwana musikana,
ndiri kutoona kunge zvakaitirwa ini.
Moyo wangu uri kuita kubaikana
chaiko" Ndakasara ndotaura ndega
mashoko aya, Amai vangu vainge
vatobuda panze,Ndakabuda panze
ndovateverera ndiko kunoona
vonotora Chirinda uyo ainge arikutema
huni. Munogona kurambirana neni asi
ndizvo zvainge zviri kuitika, ari kutema
huni ari kubakwa idzo dzaigura gura,
chiona makorero ainge akaita mazihuni
acho pamwe chete nedemo rainge
akabata, misodzi yangu yakatanga
kuyerera nematama angu. Ugoona
pamusha pedu paive nemachinda
ainge akamirira izvozvo kunyangwe
zvekupura zviyo kwaive nemachinda
aingomirira izvozvo chete.

Ndakatarisa Chirinda uyo aita


kunzwisa tsitsi, mushure mekunge
atorwa naAmai vangu ndakaenda
pabakwa paye ndokutora sanhu.
Ndakatanga kutemawo mazikuni aya,
zvairwadza azvo asi ndakazvishingisa.
Chose chaizoita Chirinda pamusha uyu
ndaizochiitawo, kana iri nhau yerudo
rwangu naChimuswe ndaizoona kuti
ndoita sei mushure mekunge
ndaponesa Chirinda kuti asave anoita
muranda pamusha wedu uye kuva
anoita mukadzi waBaba vangu, uyo
Chimuswe kunyangwe ainge achiri
mupenyu ipapo ndinotenda ari
kumusoro asi maponeserwo aakaitwa
ndiwo anorwadza, zvichireva here kuti
Chirinda ndiye akave muripo
waChimuswe, zvehupenyu zvakaoma
hama dzangu.

Ndakatema tema huni dziya ndapedza


ndiko kuzoenda kwaive naChirinda uyo
ainge ari kupura zviyo, nemuzera wake
zvainge zvakamuwandira.

"Chirinda ndokumbirawo mupuro


wako" Ndakataura mashoko aya
ndamira parutivi rwake,haana kuva
anondipindura, akabva
angondigamuchidza, ndiko kumuti
agare pasi. Ndakaona oita sekudaro
uku achiratidza kuti mwana wevanhu
ainge asisina kana simba.

Ndichiona izvi ndakakanda mupuro


wangu kwakadero ndokuenda painge
agara.

"Wambodya here Chirinda"


Ndakamubvunza mubvunzo uyu ndoda
kuziva, akatanga adzungudza musoro
kuratidza kuti kwete.

"Hezvo inga zvakaoma, ko Baba vangu


pane zvavati vakuita here? Havasati
vambokubata bata here?" Ndaida
kuziva hangu.

"Havasati asi vakandiudza kuti


mumazuva anotevera vachandibata.
Murandakadzi musave munorwadziwa,
ndakazvipira sezvo ndaida kuponesa
mukoma vangu. Chikuru mukoma
wangu ari mupenyu. Zvandiri
kusangana nazvo hazvisi kuva
zvinondirwadza___"

Ndakavhunduka nekutaura
kwaChirinda. Kutaura kwake ainge
ataura achiratidza kuti aive ne
chokwadi zvaitaura. Asi chakave
chakandifadza ndechekuti hapana
zvainge akaitwa. Ndaizomira naye kuti
asawana chaanoitwa naMambo.
Chirinda ndakaona osimuka
ndokutanga kupura uku achiisa simba
rose ipapo ndipo pakasvika jinda
raMambo rondiudza kuti Mambo
vainge varikundida kudare...........

*CHIMUSWE*

Ndakasvika ndokubva ndatanga


kuchema zvaipisa tsitsi. Ndakaona
Amai vangu vosimuka pavainge
vakagara ndiko kuuya pandainge ndiri
kuchemera.
"Ko waita sei nhai Chimuswe. Waita
sei nhai mwanangu. Chii chave
chinokuchemedza nhai mwanangu"
Vakandibvunza mubvunzo uyu. Ini
ndakatanga ndapedza shungu dzangu
ndiko kutaura ndoti.

"Amai ndinoda mundiudze kuti ndiri


mwana wenyu here uye kuti ndimi
Amai vangu here mbune chaivo. Kana
makave munondinhonga kana kundiba
ndinoda kuti muve munonditaurira"
Ndakataura mashoko aya ndave
nehukasha uku maziso angu
achitsvuka kuti piriviri. Kunyangwe iye
ainge asvuta mbanje aisara pasi.
Ndainge ndazarirwa nehasha pamwe
chete nekutsamwa.

Ndakaona Amai vangu vodedera


nekutya, ndokunzwa votaura vachiti.

"Ko izvozvo zviri kubva nepi nhai Jaya


rangu_?"

Vakataura mashoko aya vachibiridzira


kunditarisa ndiko kuvapindura ndoti.

"Ini chandiri kuda kungoziva ndizvo


zvandave ndinobvunza" Ndapedza
kutaura mashoko aya ndakasimuka
pandainge ndakagara ndiko kutanga
kudzungudza musoro. Ndokupukuta
misodzi iyo yaiyerera nematama angu.
Ndakaona Amai vangu vozvidzikamisa
ndokutaura voti.

"Ehe Chimuswe uri mwanangu. Ini


ndini ndiri mubereki wako.
Ndisingazive kana muchipatara
makave anondichinjira mwana, asi iwe
kuti ukure kusvika pawava apa ndini.
Uye zvekare chinondiratidza kuti uri
mwana wangu ukatarisa padama pako
apa pane nyora, padama ranguwo
zvekare pane nyora". Vakadero Amai
vangu vakazvininipisa.

Ndakapindura nehasha ndoti.

"Hamusi Amai vangu. Ini handisi


mwana wenyu."
"Watii nhai Chimuswe" Vakandibvunza
voda kutochema.

"Ichi ndicho chokwadi chandave


kutaura iyezvino. Ndinoda kuti
mundiudze kuna Amai vangu iyezvino"
Ndakabva ndavatarisa neziso rangu iro
rainge rati piriviri kutsvuka, ndakaona
amai vangu vowedzera kudedera
nekutya.

Ini ndokuenderera mberi nekutaura


ndoti.

"Kana muri vangu amai neiko muri


kundivanzira uye neiko makave
munondivanzira nhau yekuti makave
munoendesa Chirinda ave anonoita
mukadzi waMambo ive ini ndive
ndinoregererwa. Kana muri vangu
amai regai nditaure ndoti makazviitirei
amai. Nemhakayeiko makaendesa
Chirinda kunaMambo, nezera
rinaChirinda hamuna kuva
munorwadziwa here uye kunzwa hana
yenyu ichirova. Kunyangwe ini
ndaizofa zvaitove nani, dai
makatondirega henyu ndichifa pane
kuva munoendesa Chirinda. Zvichireva
kuti makave munondiponesa
nekunopa Mambo kuti hanzvadzi
yangu iite mukadzi wenyoka here?"
Nemashoko aya ndakatanga kuchema,
ndakatora chikuni chemoto ndiko
kuzvipisa paruoko, Amai vangu
vachiona izvi ndakaona vomhanyira
pandiri.

"Mwanangu. Mwanangu. Chimuswe.


Chimuswe, chirega kuzvidaro. Hauna
kukuvara here mwanangu. Nhai Mwari.
Mwanangu,"

"Handisi mwana wenyu. Dai muri


mumwe mave munorega kuramba
muchitaura zita rekuti ndiri mwana
wenyu nekuti hasha dzangu dzinobva
dzasimuka."

"Mwana..." Vakamira kutaura


ndokutanga kuhutisa muviri
ndokuzoenderera mberi voti.
"Chimuswe ivawo unondiregererawo
ipapo, zvekuti ndakave ndinoendesa
Chirinda manyepo asi Runako ndiye
akave anouya pano..."

Ndakavagama vasati vapedza kutaura


ndoti.

"Akataura zvekuti muendese


Chirinda... Murikurevera kuti Runako
ndiye akauya nenhau iyi here,? Imi
mukave munobvuma here? Kana
zvirizvo, pandinomuona hapameri
mahuswa chete. Ndiye achadzidzisa
vamwe chidzidzo chekuti ini ndinonzi
Chimushweee"

"Aiwa mwanangu, iye akauya nenhau


yekuti ndive ndinoenda kunaMambo
kunokumbira ruregerero. Iyo nhau
yaChirinda yakazopindawo
nepamwewo, edzawo kunzwisisa
kwandave kutaura, iye ave
anokutaurira izvi ndive ave
anokutaurira nepadivi haana kutaura
nemo nemo. Kukuvanzira kwandinoita
mwanangu ndinoona kuti uchiri
mwana mudiki hana yako haina
kusimba mwanangu. Sekuru vako
ndivo vaive Mambo Chimuswe,
ndinokumbirawo kuti uve
unondiregerera," Ndakatadza
kuzvidzora ndiko kungovasundidzira
vachinowira kwakadero ini ndiko
kuzobuda panze uku ndoridza tsamwa,
zvichireva kuti Amai vangu naRunako
vainge vakaronga izvi vari vaviri.
Runako pandaizomuona taive
tinopedzerana chete ndiko kupera
kwemashoko angu, ndinototenda iye
Dhigo anomira neni mukufara
nemumatambudziko. Kana kuri
kubhinya Runako wacho ndainge
ndazvipira, ndaisaziva kuti muroyi
chaiye. Runako ndiye akave
anonyengedza Amai vangu ndizvo
zvazvainge zviri kureva....

*End Of Chapter*

.
.
.
ndaita mutete pedzisai mega aaaah
ndikoko ndikoko na........
https://chat.whatsapp.com/HpMOplvuN
iiHWBzGVxECH9

https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/

*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 15

*RUNAKO*
Ndakafamba ndoenda kudare uko
ndainge ndataurirwa nejinda kuti Baba
vangu vainge vandisheedza.
Ndakasvika ndiko kuva ndinomira
ndakatarisa Mambo uyo aive akagara
pachigaro chakakwirira, ndakaona
Baba vangu vokosorera ndiko
kuzonditarisa, mushure mekunge vaita
izvi ndakavanzwa votaura vachiti.

"Mwanangu tsika dzakaenda kupi?__"


Vakandibvunza mubvunzo uyu
vanditarisa.

"Munoreverei kana muchidaro nhai


Baba. Itsika dzipi idzodzo
dzamukutaura nezvadzo."
Ndakabvunza ndoda kunzwisisa
pamwe chete nekuziva.

Baba vangu vakatanga vakosora


zvekare, ichi chainge chatove
chijairirwa. Zvaitoshura kuti vave
vanotaura vasina kutanga vakosora.

"Ndinoreva idzo tsika nehunhu kaah


nhai Runako. Wandikwazisa here nhai
zvawasvika pano. Mwanangu haunzwe
kuzvinyarira here? Iye Chimuswe ndiye
akave anokudzidzisa kuti
usaremekedza isu vabereki vako here.
Kana akave anodero ndiudze ndigova
ndinomuratidza kuti ini ndinonzi Moto.
Ndokusaka ndaive ndinokurambidza
kuti usiyane naChimuswe nekuti
ndinoziva kuti haana tsika. Uyo mwana
waMambo Gwanda ane hunhu pamwe
chete netsika. Hunhu hwake harwuna
kufumuka serwaChimuswe"

Vapedza kutaura mashoko aya


vakatanga kushandusa chavo chiso.

"Baba ndinokumbirawo muve


munondiregerera ipapo.."

Ndakataura mashoko aya


ndazvininipisa, hongu vabereki vangu
kutonga kwavo kwaisave kwaisave
kwakarurama, uye kutonga kwavo
kwaive kwehutsinye, asi ndaisafanirwa
kuva ndinosiya tsika hunhu pamwe
chete nekuva ndinorega
kuvaremekedza, ndakaonawo kuti
neniwo ipapo ndainge ndatadza
zvangu.

Ndakatyora uso rwangu ndotarisa pasi,


misodzi yangu ndakainzwa yoyerera
kubuda. Ndakatadza kuziva kuti
misodzi iyi yainge yobva nekupi.
Ndakatoedza kuva ndinozvidzora kuti
ndisachema asi misodzi iye pane kuti
imire kubuda yakatowedzera.

"Ko wave kuchemei zvekare nhai


Runako___" Mambo vakataura
mashoko aya, ndakaita
zvekuvhundikira ndiko kutanga
kupukuta misodzi yangu, pfungwa
dzainge dzave kure. Ndainge ndofunga
wangu mudiwa pamwe chete naiye
Chirinda aive muhutapwa.

"Runako ndati urikuchemei


mwanangu__"

Vakandibvunza zvekare vachiratidza


kuva vanondinzwira tsitsi.

"Handisi kuchema ini, maziso angu


ndiwo ari kurwadza"

Ndakapindura mashoko aya ndotarisa


Mambo avo vainge vanditarisa,
ndakavanzwa votaura vachiti.

"Ndakusheedzera kuti ndive


ndinotaura newe ndichiti. Uyo Chirinda
anove muranda wedu haufanirwe kuve
unoonekwa uchitaura naye uye
zvekare uchiva unowanikwa
uchimubetsera mabasa. Iwe semwana
wedu haufanirwe kuva unodyidzana
nevavengi vedu. Imwe nyaya zvekare
Gwanda achasvika mumazuva
anotevera totaura zvekuti uve
unochiroorwa..." Mashoko aya
akanoita kubaya pane wangu moyo.
Ndakaerekana ndotanga kumhanya
ndobva padare ndokuenda kuimba
yangu yekurara uko ndakanotanga
kuchema ndiriko. Zvichireva kuti
ndainge ndave kutoroorwa here,
chaindirwadza munhu wacho
ndaisamuziva uye ndaisamuda
zvekare...
*CHIMUSWE*

Mushure mekunge ndabuda panze


ndakatanga kutenderera nemusha uku
ndorasha rasha maoko angu. Amai
vangu kuita kwavo kwaisandifadza,
uye kwainge kwandirwadza kusvika
pamoyo chaipo. Ndakatanga kuona
kunge vainge vasiri amai vangu, dai
vaive amai vangu vangadai vasina
kuva vanondivanzira nyaya iyi.
Chirinda sezvo yaive hanzvadzi yangu
vaifanirwa kuva vanonditaurira
zvakaitika. Mhosva yose ndainge
ndave kuipa Runako uyo Amai vangu
vainge vataura kuti ndiye akauya
nenhau iyi.
Munoziva Runako ndaimbomuona
semunhu ane moyo wakanaka, asi ne
kuita kwake ndakatanga kuona kuti
aive munhu ane hutsinye, uye kuita
kwake chero muroyi aisara pasi

Ndofunga zvekuti Chirinda ainge ave


mukadzi waMambo misodzi yangu
yakatanga kuyerera nematama, ndiko
kuti gojoto ndogara panzvimbo
pandainge ndakamira. Munhu
wandainge ndotoona kuti aive munhu
wangu ndiye iye Dhigo, dai aisave
munhu wangu aizorega kunditaurira
zvainge zvakavanzika izvo.

Kuita kwaMambo kwainge


kwandirwadza, asi semunhu aisave
nechekuita hapana zvandaikwanisa
kuita. Asika ndaifanirwa kuzoona kuti
ndaizomurwadzisawo, kana kuri kuva
ndinobhinya Runako ndikoko ndikoko.

Ndakazosimuka pandainge ndakagara


ndodzokera muimba yekubikira umo
ndakawana Amai vangu vachichema
zvinonzwisa tsitsi. Ndakanzwa tsitsi
ndakavatarisa ndiko kuzoenda
pavaichemera ndokutanga kutaura
ndoti.

"Amai vangu ivaiwo munondiregerera.


Ndinokumbirawo ruregerero pane
zvose zvaitika, semunhu anga aka
tsamwa ndatadza kuzvidzora.
Ndinokumbirawo ruregerero amai."
Ndakataura mashoko aya
ndovakumbira rureregero. Ndainge
ndave kuzviona kuti ndaive ndatadza.

"Zvinowanikwa mwanangu
ndakurerega, chandifadza ndechekuti
wauya ukave unondikumbira
ruregerero. Mwanangu usave
unondivenga uye kunditukirira
nekukuvanzira kwandinenge ndichiita.
Izvi ndinenge ndichiitira hwako
hupenyu ne hwako, ndakakutarisa
ndinoona kuti hausati wakura uye hana
yako haina kana kuva inodzikama
zvachose. Ndinoziva kuti mushure
mekunge ndakuudza chokwadi uchave
unovhunduka uye unobatwa nehasha,
ndotaura zvekare ndichiti iye ave ano
kuudza zvaChirinda akuudza
achiwedzera nenhema.."

Ndakavagama vasati vapedza kutaura


ndiko kuvabata maoko avo ndotaura
ndichiti.

"Munhu andiudza haana kuva


anondiudza nhema nekuti imi
mazvibvuma uye zvakaitika, iyi nyaya
ngatisiyane nayo nekuti yakatoteuka,
asi imi chinzwai kutaura kwangu.
Ndichaedzawo nepandinogona napo
kuti ndarwadzisa Mambo."

Ndakataura mashoko aya ndiine


chokwadi chose, ndakaona Amai
vangu voita kuvhunduka ndokunzwa
votaura vachiti.

"Chimuswe wapindwa nei mwanangu.


Ndokusaka uchiona ndiri
ndinokuvanzira nekuti ndinoona kuti
hana yako haina kusimba. Unoda
kudzokera zvekare mumukamwa
meshumba mawakabuda here? Ndiani
arikukupa hushingi urwu, ndiye Dhigo
here. Kana ari Dhigo ibva wasiyana
naye, mukomana uya inyoka, kuona
kwangu ndinoona sekuti ndiye atove
anokuudza nezvauripo izvi. Kana asiri
iye angave ani zvekare, nekuti wabva
pano iye ambosara akasvika pano
achikutsvaga. Mwanangu ndivimbise
kuti hauna chauri kuzoita kuna Mambo.
Kutonga ndekwaari kumusoro, zvose
ngatizvisiire kuna nyadenga."

Vapedza kutaura mashoko aya


vakatanga kuchema, ndakanzwa tsitsi
kuona amai vangu vachichema.

"Ndanzwa kutaura kwenyu amai, asi


Dhigo munongomuti munhu akaipa
zvake asi ndinoona ari munhu
akanaka, heya kana ari munhu akaipa
izvozvo ndichazviona nekufamba
kwenguva. Ndodzoka panhau
yehumambo. Zvamataura muchiti
Sekuru ndivo vaive Mambo, humambo
hwacho hwakazofamba sei, uye chii
chakazoitika kuti huve hunobva
muropa redu, uye huchienda kupi
zvekare. Sekuru vacho vaive Mambo
redunhu ripi nhai Amai?"
Ndakabvunza ndoda kuziva chokwadi,
amai vangu ndokutanga kuruma ruma
vondivanzira semazuva vose. Kuita
kwaMai vangu kwandirwadza hangu,
ndainge ndangove mukomana mukuru.
Ndainge ndakura ini. Ndakatoedza
nepandinogona napo kuti vave
vanondiudza chokwadi asi zvakakona
na'nga murapwa achida.

Ndakazosiyana navo ndiko kuzobva


pamukova ndotenderera nedunhu uku
ndofunga kuti ndoita sei? Ndichifamba
kudaro ndakaerekana ndosangana
naRunako uyo akaratidza kuti aida
zvekutaura neni, mwana uyu ndainge
ndamuvenga uye ndaisada zvekutaura
naye, nekuti ndaitoziva kuti ndaigona
kuva ndinourawa ndisina kuva
ndinotsiva.

"Chimuswe..."

Akadero Runako, ini ndokufambisa


ndomusiya painge akamira, ndakaona
omhanya ndiko kusviko otaura achiti.

"Mudiwa ndakamirira baba vangu


ndin..." Asati apedza kutaura
ndakataura ndoti.

"Chauri kukumbirira ruregerero chii?


Kubva muzuva ranhasi iva unosiyana
neni. Ndaisaziva kuti urinyoka. Nyoka
chaiyo, wakatodza Baba vako iwe. Uri
muroyi iwe, haunzwe kunyara here
nemuzera waChirunda. Handide
zvangu zvekucharamba ndichave
ndinotaura newe nekuti machinda
anogona kundisvikira ndinewe
iyezvino. Iwe chingoziva kuti nerimwe
remazuva tichasangana uye
ndichapedzerana newe zvekuti
taimbodanana ndakatozvibvisa mune
dzangu pfungwa...." Ndakataura
mashoko aya ndokutanga kufambisa,
ndakamusiya otaura nezvaDhigo.
Hameno zvaitaura uye kuti Dhigo ainge
akwana papi....

*End of Chapter*
.
.
.
https://chat.whatsapp.com/HpMOplvuN
iiHWBzGVxECH9

https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/

*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*

*STORY BY KULE C*
0775937782

CHAPTER 17
*RUNAKO*

"Chirinda ndinodawo kuti uve


unotererawo kutaura kwandiri kutaura.
heya unondiudza kuti pauri ipapo
unotodawo kurara naMambo here?.
Zvandave ndinokuudza izvi ndizvo
zvinogona kuva zvinokubetsera kuti
usave unorara naMambo" Ndakataura
mashoko aya ndonzwisa tsitsi.
Ndaizove ndinorwadziwa
zvakanyanyisa kana Chirinda aizove
anorara naBaba vangu,ndaifanirwa
kuva ndinomuponesa asina chaanenge
ave anoitwa naBaba vangu.

Ndakatanga kumunyengedza dzamara


ave anoramba kubvuma kutaura
kwangu. Ndakatoedza nepandaigona
napo kuva ndinotaura naye asi
zvakakona na'nga murapwa achida.
Ndaiona hangu kuti Chirinda aitya
kubvuma zvandainge ndataura, asi
zvekuisa ropa kusikarudzi yake
ndaizoona zviri zvaigona kuva
zvinomubetsera.

Ndakamusiya ari muimba yake


yekurara ini ndiko kuenda kune yangu,
misodzi ndiyo yaingoita kuyeredzana
zvisina magumo. Zvichireva kuti
humhandara rwaChirinda
rwaitozoenda nedhara iri here?
Ndofunga izvi ndakave ndinowedzera
kurwadziwa asi chekuita painge
pasisisina, papi pacho
pandaizomanikidza Chirinda kuita
zvaisada.

Hope dzakaramba kuuya husiku urwu,


ndangariro dzangu dzaive kure
kwazvo. Ndaiti ndikafunga Chirinda
ndombofunga Chimuswe,
ndombofunga Dhigo ndiko kubva
ndoridza tsamwa. Iyi yekuti ndaida
kuzoroorwa nemwana waGwanda
yaindirwadza zvekare, asi chandaiziva
ndechekuti izvozvo ndizvo zvaizorega
kuitika mune hwangu hupenyu.

Hope dzakave dzinozondibata kunze


kwave kutoedza, ndichibuda panze
ndakaenda kuimba yaChirinda
ndokumuwana ari kugadzira
pamubhedha wake.

Ndakatanga kutaura naye ndoti.

"Chirinda , Mambo akave anozorara


newe here husiku hwanezuro?'
Ndakabvunza izvi ndoda kuziva
chokwadi, misodzi ndiyo yainge
yachijenga mune angu maziso.

Ipapo ndakanzwa Chirinda opindura


achiti.

"Havana kuva vanozorara neni asi


vakandiudza kuti muzuva ranhasi ndiro
ravari kuzorara neni. Ndangove
ndinomirira kuti ndirare navo
sekutaura kwavo."

Ne mhinduro iyi ndakave ndinotanga


kunyemwerera ndakatarisa Chirinda,
ndiko kuzotaura ndoti.

"Ari kumusoro ngaakudzwe chokwadi.


Iwe Chirinda unondiudza kuti newewo
uri kutoda kurara naBaba vangu here?
Ufunge nzira iya yandakataura nezuro
ndiyo inogona kuita kuti usave unorara
naMambo. Ini ndichave ndinoona kuti
ndakubudisa mune uno muzinda
pasina chakuwira, usave unotya
Chirinda. Ufunge moyo wangu ungave
unorwadza iwe ukarara naBaba vangu,
zvinenge zvakangofanana nekuti ini
ndini ndarara navo, iwe neni hatina
musiyano__" Ndakatanga
kumunyengetedza zvekare,
chakandifadza panguva iyi akaterera
kutaura kwangu. Chainge changosara
kuti ndive ndinotsvaga ropa, izvozvo
ndizvo zvaizondinetsa asi muzuva iri
ndaifanirwa kuzoona kuti ndawana
ropa iri chete. Zviome zvirwadze sei
ndaifanirwa kuva ndinoriwana.

Ndakazotaura ndoti.

"Chirinda ndinokumbirawo rubatsiro


rwako. Muzuva ranhasi hazviite here
kuti uve unosangana naChimuswe,
kana ukave unosangana naye ndinoda
kuti umutaurire kutaura kwandave
kuita, ndinoda..." Handina kupedza
kutaura uku nekuda kwaChirinda uyo
akave anondigama ndisati ndapedza
kutaura, ndiko kutaura oti.

"Handikwanise murandakadzi. Mambo


akave anondiudza kuti handifanirww
kuva ndinobuda muno mumuzinda,
uye kuva ndinotaura nemi zvekare
ndakave ndinorambidzwa zvekare"

Ndakapererwa ne zvekuita, zvino


Chimuswe wacho aizoziva chokwadi
sei, uye rini, uye aidziwa nani. Ini kuti
ndive ndinosangana naye zvaisave
zvinoita sezvo ndaiziva kuti mushure
mekunge tasangana machinda ehondo
aingoerekana atisvikira, hunhu
hwaDhigo ndainge ndave kurwuziva.
Ndakazobuda muimba yaChirinda
ndotya kubatikidzwa ndiri muimba iyi,
sezvo Mambo vainge vakave
vanondirambidza kuva ndinosangana
naChirinda. Ndabuda muimba umu
ndakatora nzira ndobuda mumuzinda
ndoenda kumichero yangu,
ndakaerekana ndodarika nepamwe
pamusha apo paive pari kuuraiwa
mbudzi. Ndakave ndinofara sezvo
ndaive ndiri kutsvaga ropa iro
raizonetsa kuti ndive ndinoriwana.

Ndakashandisa mukana uyu kuva


ndinotaura varume ava kuti vave
vanondipa ropa. Havana kumbonetsa
vakandipa zvandainge ndakumbira
ndiko kuzomhanya ndodzokera kumba,
ndasvika kumba ndakatsvaka Chirinda
uya ndakasangana naye pachihwande
hwande ndiko kuzomupa ropa iri.
Mushure mekunge ndamupa ropa iri
ndakave ndinomuudza zvekuita
naro.........

*CHIMUSWE*

Mazuva akapindana ndisina kuva


ndinosangana naDhigo uyo ndaive
nechidokwa chekuva ndinosangana
naye, ndainge ndanonokerwa nekuva
ndinotsviva kunaMambo. Kana ari
Runako ndainge ndisingachade kuva
ndinomuona munerwangu hupenyu.
Kuita kwake ndiko kwainge
kwakandirwadza pamwe chete
nekunondibaya pamoyo.

Ndakasimuka pamushana apo ndainge


ndakagara ndiko kutora nzira ndoenda
kumba kwemabhururu angu ayo
ndainge ndave nemazuva ndisina
kuonana nawo, chezuva iri ndakawana
vamwe vangu varipo. Vainge vari
kusimbisa nyama dzavo.

Uyu Jedza ndiye akatanga kutaura oti.

"Chimuswe dai uri mumwe


waterererawo kutaura kwedu. Uyo
Dhigo waunoramba uchisekedzana
naye ndiyo nyoka chaiyo. Unoziva here
kuti kuenda kuchizarira
kwawakamboita ndiye honzeri. Dai
Sekuru vangu vanga vari pano vanga
vachizova vanokutaurira zvimwe
zvakavanzika zvaungave usiri kuziva.
Mushure mekunge waziva izvozvo
uchaona kuti Dhigo inyoka, ini kuti
ndive ndinokutaurira zvandakave
ndakataurirwa naSekuru muzuva ra
nezuro unogona kunditora kunge
munhu anonyepa, Urimbo ndakave
ndinomutaurirawo nyaya iyi tikave
tinobvumirana kukubetsera panhau
iyi." Akadero Jedza agara pamusoro
perimwe dombo.

"Inhau yei iyoyo zvekare"


Ndakabvunza ndoda kuziva, uyu Jedza
ndiye akatanga asekerera ndiko
kuzotaura oti.

"Chimuswe unomboziva kuti vamwe


vako vaive madzimambo here?"
Apedza kutaura mashoko aya
akanditarisa kuchiso. Ini ndini
ndakavhura maziso ndokutanga
kuhwaira ndiko kuzotaura ndoti.

"Izvozvo ndinozviziva asi pane zvimwe


zvandinoda kuziva zvandinova ndisiri
kuziva. Vamwe vangu vaive
madzimambo edunhu ripi, ndiwo
mumwe mubvunzo uyu. Zvekare
humambo hwacho rwakazove
rwunoenda nekupi? Ndiwe mubvunzo
wepiri. Ndikave ndinoziva izvozvo
ndinova ndine ruzivo rwakakwana.
Amai vangu ndikavabvunza vanove
vanondivanzira, uye zvekare vamwe
vangu regai nditaure ndoti kuhope
ndinorota mumwe murume
achindiudza kuti ndiri mambo, izvi
ndimi mega mandave ndinoudza"

Ndapedza kutaura hana yangu


yakatanga kurova,

Ndakanzwa Urimbo otaura achiti.

"Ko uyu Dhigo wanga usati wamuudza


here? Kana wanga usati wamuudza
zvakanaka. Ini naJedza taitofunga kuti
wakave unomuudza, dai wakave
unomuudza zvaizove zvinotinetsa ini
newe, zvekare taigona kuva
tinotangirwa" Akadero Urimbo
ndomusimuka painge akagara.

"Ndanga ndisati ndave ndinomuudza,


haa vakomana Dhigo ndinofunga
chaakave anokutadzirai chikuru
chaicho. Munomboziva here kuti Dhigo
ndiye munhu akanaka muno ____"
Handina kupedza kutaura uku
ndotarisa Sekuru vaJedza avo vainge
vosvika vakabata sanhu mumaoko,
ndakatora mukana uyu kuva
ndinoenda kunovakwazisa ndiko
kuzogara navo pasi ndovabvunza
zvenhoroondo yekumba kwedu,
vakatanga kutaura voti.

"Chimuswe zvandave kutaura izvi


zvinoda munhu akashinga uye ane
hana, nekuti mushure mekunge
ndakuudza izvi uchada kuva unotora
zvawakatorerwwa, ichocho ichokwadi
humambo hunofanirwa kudzoka. Rega
nditange kutaura ndoti, makare makare
Sekuru vako Gonyai ndivo vaive
mambo wedunhu rino. Kufa kwavo
ndiko kusina kuva kunonzwisisika asi
ini semaziviro angu uye se manzwiro
andakaitawo Mhutengezi ndiye akave
anoisira Gonyai muchetura wekuti afe,
Mhutengezi ndivo baba vaDhigo
vandakanzwa kuti unova unowirirana
nemukomana uyu. Kuwirirana hakuna
kuipa sezvo usingazive
nezvenhoorondo. Vafa kudaro uyu
Moto ndiye akabva abvuta rega
nditaure ndoti ndiye akabva opamba
humambo hwenyu ohwuita hwako.
Vamwe vako vakave vanoedza
kusimudza musoro asi vakapera umwe
umwe kusara kwaBaba vako avo
vakazodawo kusimudza musoro asi
wakave vanomira naye ndiye
Mhutengezi uyo akave anovatengesa
dzamara Moto aziva zvainge zviri
kurongwa naBaba vako, ndiko
kuuraiwa kwakazoita Baba vako. Asi
chandinoziva uyu Moto achave
achazoronga kukuuraya sezvo achiziva
kuti iwe uchazodawo kusimudza
musoro___" Vakataura mashoko aya
vanditarisa, vakava vakandirondedzera
nhoroondo yose, mushure mekunge
vapedza kutaura misodzi yangu
yakatanga kuyerera nematama ndiko
kuzobvunza ndoti.

"Nhai Sekuru, zvichireva kuti dunhu


rino nderedu here? Uye humambo
nderwedu here?"

"Ehe muzukuru, asi ukave unoda


kusimudza musoro zvekupusa pusa
uchafawo sevamwe vako. Kuti
humambo huve hunodzoka unofanirwa
kuva unongwara uye kutozvidzikamisa
muzukuru, uyo Dhigo wandakanzwa
kuti unowirirana naye ibva wasiyana
naye"

Vakadero vanditarisa kumeso kwangu.


"Sekuru Dhigo munhu ane moyo
wakanaka munomboziva here"

Ndakaona Sekuru vaye votanga kuva


vanoseka ndiko kutaura voti.

"Heya zvino ukada kuita zvekupusa


pusa uchave unofa pasina chawaita.
Dhigo akave anoziva kuti pane
zvawave kuronga inenge yafa kwako.
Ndokusaka ndambove ndinokuudza
kuti zvinoda munhu akashinga uye ane
hana yakasimba zvekare, kana
ndazoona kuti hana yako yasimba
ndichazove ndinokuudza kuti woita
sei? Iwe madzisekuru ako aive
madzisahwira wangu. Zvandave
ndinokuudza izvi pasawanikwa
pachive newaunodza, asi iye Runako
mwanasikana waMambo anogona kuva
anokubatsira panhau iyi, ndokusaka
ndambotaura kuti kana hana yako
yazosimba uve unodzoka pano"

Mushure mekunge ndanzwa zita


raRunako ndakaridza tsamwa
nechemumoyo, ndakazobva
panaSekuru ndoenda kune vamwe
vangu uku ndichingodzungudza
musoro. Ndainge ndisina kuva
ndinotarisira izvo, zvino nemhakayeiko
amai vangu vaive vanondivanzira
zvinhu zvakakosha kudaro. Humambo
ndirwo rwaifanirwa kutozodzoka
kuropa rekwedu.
Ndakazova ndinoparadzana nevamwe
vangu ndodzokera kumba, ndiri
munzira ndakave ndinoerekana
ndasangana naDhigo naRunako avo
vaive vakamirisana, sezvo vainge
vasina kundiona ndakanyahwaira
ndopinda nemuzvikwenzi dzamara
ndave pedyo navo. Ndaida kunzwa
zvainge zvirikukurukurwa ne vaviri
ava, ....

*End Of Chapter*

.
.
.
https://chat.whatsapp.com/HpMOplvuN
iiHWBzGVxECH9
https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/

*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*

*STORY BY KULE C*
0775937782

CHAPTER 16

*RUNAKO*

Moyo wangu wainge wakurwadza,


ndaive ndisina kutarisira kuti
Chimuswe aizondirwadzisa kudaro.
Mashoko ainge ataura ainge anoita
kuva anogara pane wangu moyo.
Chimuswe chaisaziva ndechekuti
ndaimuda nemoyo wese, uye paari
ndipo paive newangu moyo .
Chandainge ndakatadza
ndakachitsvakurudza ndikave
ndinochishaya, chandainge
ndakamutadzira chingave chingaita
kuti asvike pakundiudza kuti ndaive
muroyi chii? Iyo mhosva ye vabereki
vangu ndiyo yandainge ndofira here
hama dzangu, pane kuti ndive
ndinoregerera vangu vabereki
ndakatowedzera kuva
ndinovatsamwira.
Chimuswe handina kuva
ndinomutsamwira, ndaiziva kuti
hapana chainge ari kuziva, uye
ndaizogara naye pasi ndotaura naye,
asi ndaizotaura naye kupiko?,
tasangana kupi zvekare?. Misodzi
yangu yakatanga kuyerera nematama
angu.

Ini ndainge ndingori munhu anogara


akushunguridzika, ukuwo Mambo
vainge vataura kuti mazuva ekuti
ndichiva ndinoroorwa ainge ave
pedyo. Zvinhu zvaindishungurudza asi
chandaiziva ndechekuti zvekuti
ndaizooroorwa nemunhu wandaisada
ndizvo zvaizorega kuitika muhupenyu
hwangu.
Mushure mekunge ndaparadzana
naChimuswe, ndakamutarisa ave
chinhambwe, ndainge ndofunga kuti
zvimwe ndichaona ocheuka odzoka
pandiri otaura neni ondiudza kuti ainge
arikuda kuona kuti ndoita sei? Asi
zvakave zviroto.

Ndakazvitsunya ndofunga kuti zvimwe


ndainge ndiri kurota, mushure
mekunge ndarwadziwa ndakava
ndinoziva kuti zvainge zviri kutoitika
ndainge ndisiri kumakope.

Ipapo ndakatanga kuyeredza misodzi


uku ndotaura ndega.
"Asi Chimuswe chii nhai? Usadero
mudiwa. Ungabva wanditaurirawo
mashoko anodzimba moyo kudaro
here? Kunyangwe wave unondiudza
kuti ndiri muroyi uye kuti ndakatodza
vangu baba ini ndinokuda, zvekuti
ndiri muroyi ndeimwe nyaya.
Chimuswe musikana haarambirwe
kuroya asi anorambirwa chipfambi, ko
wadii ko kuterera mashoko andange
ndoda kutaura. Dhigo ndiyo nyoka, iye
bhururu waunovimba naye ndiye
akonzeresa zvose kusvika muzuva
ranhasi, ndiye honzeri" Ndakatanga
kupukuta misodzi ndokuvhara angu
maziso. Ndakazomavhura mushure
ndanzwa kuuchira kwemaoko,
Ndakavhunduka ndiko kubvisa maoko
ndokuvhura maziso ndotarisa munhu
ainge auchira ndokuona ari Dhigo,
zvichireva kuti mukomana uyu
aindivhima pose pandinenge ndatsika
here? Ndizvo zvazvainge zviri kureva,
zvichireva zvekare kuti dai ndaramba
ndakamira naChimuswe machinda
anga achingozokaruka atisvikira.

Ndakandeesa maziso ndotarisa


panzvimbo yandainge ndiri, ndiko
kuzoona zidombo iro randaive
ndaitsvaga, Ndakaenda paive
nezidombo riya ndokuedza kuva
ndinorisimudza asi ndakatadza.

Ndakaridza tsamwa ndokunzwa Dhigo


oseka.
"Ukuda kuita sei nezidombo iro nhai
Runako. Usandiudza kuti urikuda
kunditema naro. Zvino ukauraya wako
murume wawakapiwa naMwari,
mumwe unozomuwana kupi nhaiwe.
Dzora hasha mudiwa wangu" Dhigo
akadero ondibata mapendekete angu,
ndakaerekana ndamuvhara nembama
ndokudzadzarika onomira kwakadero.

"Dhigo handisi shamwari ya..."


Ndakatadza kupedzisa mashoko aya
nekuda kwehasha idzo dzainge
dzandizarira, ndakatanga kuva
ndinofemera pamusoro.

Dhigo ainge angochibata dama rake


pedzezvo ndakamuona ave kusekerera
ndokunzwa otaura achiti.

"Heya ndicho chinonzi chimbama rudo


here nhai mudiwa?"

Akataura mashoko aya ofamba


achiuya pandainge
ndakamira,zvichireva kuti mbama iyi
yainge isina kumurwadza here.
Atotenda ari kumusoro kuti ndatadza
kuva ndinosimudza zidombo. Muzuva
ranhasi ainomukira kumakuva, iyeyu
ndiye aive honzeri. Ndiye aive muroyi
ainge ataurrwa naChimuswe.

Ndakataura ndoti.
"Mudiwa wako ndiani?"

"Iweweka nhai Runako.


Ndangonzwawo neangu manzeve aya
Chimuswe achikuudza kuti uri muroyi
uye achikuudza kuti muve
munosiyana. Nhasi ndaseka
unomboziva, apa iwe Chimuswe
unomuda sei ndipo pookuudza kuti uri
muroyi. Oooh haana kuzopedzisa
kutaura asi anga achizopedzisa
kutaura oti uri muroyi anoroya
masikati nehusiku. Usandiudza kuti
mushure waudzwa mashoko aya uchiri
kumuda, kana zvirizvo unenge uri
Mupengo. Rega ndikuudze zvaave
asina ano kuudza zvaakandiudza ini sa
bhururu wake. Chimuswe akandiudza
kuti iwe uri mutengesi, uri pfambi
zvekare haukodzeri kuva unodanana
naye sezvo wakave unobvumirana
naAmai vake kuti Chirinda ave anoita
mukadzi waMambo" Apedza kutaura
mashoko aya misodzi yangu
yakatanga kubuda, mashoko ekuti
pfambi ainge anoita kundigara pamoyo
chaipo.

"Unonyepa iwe Dhigo, unonyepa, iwe


ndiwe uri muroyi. Ndiwe mutengesi.
Chimuswe wandinoziva haasiriye
wandinoziva, sezvo Chimuswe
wandinoziva wakave unomuchinja
mafungiro. Uye Chimuswe haasati
aziva kuti iwe uri mutengesi, mashoko
aya akamataura mushure mekunge iwe
wamuudza zvekunyepa. Dhigo
ndinokushaira kuti ndova ndinokuisa
mumupanda upiko, rega ndikuudze
mazuva mazhinji uchave unonyara
mushure mekunge Chimuswe
ndamuudza chokwadi"

Ndapedza kutaura mashoko aya


misodzi yangu yakatanga kuyerera,
ndakanzwa Dhigo otaura oti.

"Zvino uchave unomutaurira kupiko


kuti ini ndiri mutengesi, mave
munosangana kupi zvekare.
Muchingosangana machinda ehondo
anobva asvika. Asi ini ndichave
ndinoita kuti muve munosangana
nekuti ndanonokerwa nekufa
kwaChimuswe, ndakuda kuti afe zvino
izvi hazvisi kuzondinetsa. Unoziva
waunoti Chimuswe ndicho chituta
chekutanga nekupedzisira here,
ndisingade kutaurisa rega nditaure
ndoti muno mudunhu rose ndiye
munhu akapusa, unomboziva here kuti
ikozvino Chimuswe ndini
ndinomudzira zvekuita uye
zvandinenge ndamuudza anove
anozviiteedzera"

Dhigo apedza kutaura akatanga


kuseka, ini ndakaerekana ndapfugama
pasi ndokutanga kuchema ndoti.

"Dhigo dzorawo moyo wako.


Ndokumbirawo ruregerero. Chii
chaunoda kuti ndikuitire, usave
unourayisa mudiwa wangu
ndakumbirawo. Kunyangwe
chaunenge wataura kuti ndiite
ndinoita" Ndakadero uku ndamutarisa
kumeso.

"Ini chandiri kungoda chete


ndechekuti iwe neni tive tinodanana
Runako"

"Zvichireva kuti kana tadanana uyu


Chimuswe haasi kuzofa here?"

"Ehe"

Ndakasimuka pandainge
ndakapfugama ndiko kubva
ndamumbundira, ndokunzwa Dhigo
otaura oti.

"Runako zvauri kufunga ndinozviziva,


uye zvauri kuva unofunga izvezvi
ndatozviona. Ini handina kupusa
sezvaunofungira, uye ndakatosiyana
naChimuswe nekure ndikuudze
zvako."

Nemashoko aya ndakatadza kuziva


kuti ndoita sei? Pachokwadi ndainge
ndisina kumupa moyo wangu asi
zvandainge ndini ndaizviziva ndega.

"Rega nditaure ndoti Chimuswe


mumazuva matatu arikutevera ayo ari
kuzofa, bata kutaura kwangu. Kana
todanana totangira ipapo"

Ndakasara ndabata pachifuva changu


ndiko kutanga kumhanya ndoenda
kumba, ndasvika kumba
ndakanozvivharira muimba yangu
yekurara ndokutanga kuchema
ndirimo. Kunyangwe Dhigo ainge
andibudira pachena, Chimuswe ndiye
wandaizorega kusangana naye, asi
ndaifanirwa kuva ndinosangana naye
kuti ndive ndinomutaurira chokwadi.

Ndakabata musoro wangu ndokunzwa


uchiita kutenderera, ukuwo Mambo
vainge vandirambidza kuva ndinotaura
naChirinda, zvino ndaizoita sei sezvo
iye Chirinda ndainge ndotoona kuti
ndiye wandaigona kuzotaura naye kuti
ave anonotaura naChimuswe.

Zuva rakasvika pakudoka


ndichingopishana nepfungwa, radoka
ndakanyahwaira ndoenda kuimba
yaChirinda uyo ndakawana achichema
zvaipisa tsitsi.

"Ko waita sei nhai Chirinda,


nemhakayeiko uri kuchema"
Ndakamubvunza ndoda kunzwisisa,
iye ndokutaura oti.

"Mambo vandiudza kuti ndigadzirire


sezvo vari kuda kurara neni. Ndiri
kutya ini asi semunhu akave anoda
kununura mukoma vake ndazvipira"
Akandipindura achiwedzera kuchema.

Ndakarwadziwa handidi kunyepa,


Chirinda aisafanirwa kurara naMambo
dzamara ndamuponesa, ndakakwenya
musoro wangu ndofunga kuti ndoita
sei, papera chinguva ndakataura ndoti.

"Chirinda ndinogona kukubatsira kuti


usave unorara naMambo, chandichaita
ndechekudai, ndichave ndinozorera
ropa kusikarudzi yako kuti Mambo
vave vanofungira kuti uri kumwedzi"
Ndapedza kutaura mashoko aya
ndakaona Chirinda achiita
kuvhundikira ndiko kuzopindura oti.

"Murandakadzi izvozvo siyanai henyu


nazvo. Mambo vandiudza kuti ndikave
ndinorega kurara navo vachave
vanotora danho kumhuri ye kwedu......"

*End Of Chapter*

.
.
.
https://chat.whatsapp.com/HpMOplvuN
iiHWBzGVxECH9

https://www.facebook.com/Kule-C-
100379055987286/

*PAMAKASIIRA NDIPO
PANDINOTANGIRA*
STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 18

LAST FREE CHAPTER

*DHIGO*

Kutaura kwevakuru kunoti "Waunodya


naye ndiye mutengesi wako.
Waunowirirana naye ndiye muurayi
wako. Waunove unovimba naye ndiye
above muroyi wako__" Icho ndicho
chokwadi chisina kutapudzwa kana
kuva chinowedzerwa. Ndaiona hangu
kuti izvi ndizvo zvaisaziva mumwe
wangu Chimuswe. Ndakamutarisa
ndaiona kuti raingove rima rega rega,
rima racho rainge rachisangana
nekupusa. Ndakamutarisa ndaiona
hututa maari pamwe chete
nekudzungaira, iye chaisaziva
ndechekuti ini ndaisamufarira. Kutaura
chokwadi Dhigo kubvira tichitanga
kuwirirana ndainge
ndakangomuvenga. Zvandainge
ndakataurirwa naBaba vangu ndizvo
zvainge zvakasakisa kuti ndive
ndimuvenga. Baba vangu vainge
vakave vanonditaurira kuti makare
kare vemhuri yekwaChimuswa ndivo
vaitonga dunhu redu uye humambo
hwaive hwakazoita hwekupambiwa.
Izvi ndizvo zvakaita kuti ndive
ndinomuvenga nekuti ndaiziva kuti
mukufamba kwemazuva aigona
kuzoziva chokwadi akave anopindwa
nepfungwa yekutora humambo kuti
ave anoita Mambo. Zvekutongwa
naChimuswe ndizvo zvandaisada.
Chimuswe paakazodanana zvekare
naRunako, ndakave ndinorwadziwa
nekudanana kwake naRunako sezvo
iye Runako wacho inini wacho
ndaimudawo. Zvinova zvakazondipa
pfungwa yekuti ndikave ndinourayisa
Chimuswe ndaizosara ndodanana
naRunako, izvo zvaingove pachena.

Chimuswe ndaitorwadziwa nemweya


wake wekufema, moyo wangu
wairwadza kuva ndinomuona
achirarama, ndaitoda zvekuti ave
anofa. Yandainge ndamurongera
handifunge kana aizoibuda
zvekumhanya.

Ndaiziva hangu kuti tsoro dzangu


dzaizofamba sekuronga kwandainge
ndadziita, chainge changosara kuti
ndive ndinoronga zvinobuda...

*CHIMUSWE*

Ndakahwanda kudaro ndakatanga


kunzwa Dhigo otaura achiti..

"Runako mazuva ari kumhanya,


muzuva rinova nhasi ndichataura
naChimuswe. Ndichave ndinoita kuti
musangane, masangana kudaro iwe
unoziva zvichaitika kumberi. Ini
unondiziva kuti handipererwi. Ikozvino
Chimuswe ari kuzofa kunorwadza, iwe
unoziva kuti chandave ndinotaura
Chimuswe anototi ave anochivetedzera
nekuti anovimba neni. Chaasingazive
ndechekuti hushamwari hwangu naye
nderwekunyepera, muno mudunhu
hamuna munhu wandakave
ndakavenga kunze kwaiye Chimuswe,
unoziva here kuti ndafara kuva
ndinosangana newe__" Apedza
kutaura mashoko aya akatanga
kuseka, ini ndainge ndachivhura angu
maziso ayo aive makuru. Ndainge
ndofunga kuti ndainge ndiri kurota
ndiko kuzvirova kambama.
Pandakanzwa kurwadziwa ndakaziva
kuti ndaisarota, hana yangu ndiyo
yakatanga kurova. Zvandainge
ndanzwa zvainge zvandivhundutsa.
Zvichireva kuti kutaura kwemabhururu
angu chaive chokwadi here?.
Ndakazosiya kufunga zvisina basa
ndoterera kutaura kwaRunako uyo
ndakaona achiyeredza misodzi uku
achitaura achiti.

"Dhigo ari kumusoro uyu ave newe.


Chimuswe wacho chaakakutadzira
chiiko, kungoti haasati ave anozviziva
kuti uri mutengesi" Runako apedza
kutaura mashoko aya ndakanzwa
Dhigo opindura achiti..
"Ehe haazvizive uye achazviziva seiko.
Anenge ave anomuudza ndiani
zvekare, iwe ndiwe chete unoziva
chokwadi asika uchave unomuudza
seiko. Wakangamwa here kuti
Chimuswe akave ano kuudza kuti uri
muroyi pamusoro pazvo akave
anokuudza kuti muchisiyana, zvinoita
hupenyu soo hupenyu ndicho chinhu
chinonakidza pa zvinhu zvose__"
Dhigo akataura mashoko ndiko
kumbokanda maziso ake kuchikwenzi
chandainge ndakahwanda, hana yangu
yakatanga kurova ndofunga kuti aive
ave anondiona. Yakatozove
inodzikama mushure mekunge
azobvisa maziso kuchikwenzi
chandainge ndiri oterera mashoko
ainge otaurwa naRunako uyo
wandakanzwa otaura achiti.
"Kana uchifunga kuti mushure me
kuita zvose izvi tichave tinodanana uri
kuzvinyepera, ini handisi kuzofa
ndakadanana nenyoka yakaita sewe,
kungoti Chimuswe wakave
unomufonyora pfungwa uchimuudza
zvekunyepa zvekuti akabva ave
anondivenga, asi rega ndikuudze ndoti
zvauri kuda kuronga hazvisi
kuzobudirira uku ndiko kupera
kwemashoko angu"

Zvose izvi zvainge zviri kuitika zvaitika


pamberi pemaziso angu,
ndakabatanidza nyaya dzainge
dzataurwa nevaviri ava ndikaona
zvechokwadi kuti Dhigo aive wangu
muroyi. Asi kunyangwe zvakadaro uyu
Runako handina kuva
ndinomuregerera sezvo ndainge
ndakuziva hunhuwo rwake. Chainge
chondifadza apa ndechekuti ndainge
ndazvinzwira neangu maziso pamwe
chete nekuzvionera neangu maziso.

Ndakanzwa hasha asi ndakave


ndinozvidzora, zvekuti dai kusiri
kuzvidzora kwandakaita ndaizobuda
muchikwenzi chandainge
ndakahwanda ndoenda kunomirisana
naiye Dhigo. Regai vakuru vachitaura
kuti usave unovimba nemunhu pano
panyika, munhu wenyama haasi
wekuvimba naye hama dzangu,
chokwadi ndainge ndadzidza
chidzidzo. Munomboziva Dhigo
ndaimutora semumwe wangu asi
chandaisaziva ndechekuti ndiye aive
muroyi wangu, zvichireva kuti
pandakamboenda kuchizarira
pekutanga ndiye aive honzeri here?
Ndofunga izvi misodzi yakatanga
kuyerera pamwe nekuzvituka
kasingaperi. Ko iniwo chainge
chakanditadzisa kugara ndaona kuti
munhu uyu ari mutengesi chiiko. Ipapo
ndakaona kuti kutaura kwevakuru
kunoda kubatisiswa sezvo vangu amai
vaive vanogara kundiudza nezvaDhigo
izvi asi ini ndaive ndinowanikwa
ndichivaona sevanopenga uye ndaive
ndinoisa zvitanda munzeve dzangu.

Ndakazosimuka pandainge
ndakahwanda ndokudzokera
kwandainge ndasiya vamwe vangu uku
ndomhanya zvisina akamboona,
ndasvika kunaJedza naUrimbo avo
ndakavawana vachigadzira zvirauro
zvavo ndakatanga kufemereka ndiri
pamberi pezviso zvavo.

Uyu Jedza ndiye akatanga kutaura oti.

"Kuchitova kwakanaka here nhai


Sahwira. Ko wapindana nedzipi
zvekare. Nemhakayeiko kuzoita
seunodzingirirwa"
Ndakatanga ndadzungudza wangu
musoro ndiko kuzoridza tsamwa
ndotaura ndichiti.

"Nhasi ndazove ndinozvionera


pamhino sefodya. Chokwadi Dhigo
ndiye muroyi uye inyoka, ndazvinzwira
neangu manzeve pamwe chete nekuva
ndinozvionera...." Ndakatanga
kurondedzera vamwe vangu zvainge
zvabva mukuitika ivo vakave
vanoterera, hapana chandisina kuva
ndinorondedzera, ndapedza kutaura
kwangu uyu Urimbo ndiye akaridza
tsamwa iyo yakandivhundutsa ndiko
kuzotaura oti.

"Zvinova zvinhu zvinofadza kuti


wazvinzwira uye kuti wave kuziva
chokwadi. Iwe handi waitiona sevanhu
vanokunyepera here? Zvino zvawave
unoziva chokwadi toita sei nhai
Bhururu, ini kuona kwangu Dhigo
ngative tinosiyana naye titange
nekutora hwako humambo hwakave
hunopambiwa. Pakasiira Baba vako
ndipo patinofanira kutangira"

Urimbo apedza kutaura ndakave


ndinosimuka ndiko kuti tumbi
ndakatarisa kumuzinda waMambo
ndiko kutaura ndoti.

"Urimbo wave unotaura Chokwadi.


PAMAKASIIRA ndipo
PANDINOTANGIRA, chekutanga apa
kubva muzuva ranhasi tinofanirwa
kuva tinodzidzira kurwa iye hondo
nekuti tikave tinoita zvekutamba tinofa
sehuku vamwe vangu. Asi chandave
kutya apa Dhigo arikuronga zvekuva
ndinosangana naRunako. Mushure
mekunge tasangana ndichava
ndinotorwa nemachinda, kunyangwe
ndikave ndinoedza kuti ndisasangane
naRunako iye achave anozviedza
chete"

Ndapedza kutaura uku ndakave


ndinodzungudza musoro wangu. Uyu
Jedza ndiye wandakanzwa otaura
achiti.

"Iwe ona kuti wasangana naiye Runako


kana zvichigona iva unosangana naye
muzuva ranhasi. Ndakazvitarisa
Runako uyu akave anoziva chokwadi
anogona kuva anotibetsera panyaya iyi
Chimuswe, hameno kuti murikupaona
sei apa"

Ndakaerekana ndakanuka ndokutaura


ndoti.

"Kana ari Runako ndiyo nyoka chaiyo.


Ndiye muroyi. Kana manga musati
mazviziva regai nditaure ndoti ndiye
akave anonyengera Amai vangu kuti
vaendese Chirinda kunaMambo, uyu
Runako nditori nechigumbu naye
handidi kutombomuona pane changu
chiso"
Ndainge ndatotsamwa, Runako
ndaisada kumuswededza pedyo
nenhau iyi. Runako naDhigo vaive
vasina kumbosiyana pakuona kwangu.

"Chimuswe watanga, zvimwe kuda


zvauri kufungira sandirizvo. Muzuva
ranhasi iva unowanikwa unobvunza
amai vako zvakaitika, zvimwe iye
Dhigo ndiye akave anokuudza izvi.
Kana asiri Dhigo zvichida wakave
unotadza kunzwa zvakanaka"

Ndiko kwakave kutaura kwemumwe


wangu ndiko kuva ndinobvumirana
navo. Vakazondiperekedza ndiko
kuzondisiya ndave chinhambwe.
Ndave kutosvika kumba ndakave
ndinosangana naDhigo uyo akatanga
kusekerera akanditarisa ndiko
kuzotaura oti.

"Ko wanga uchitaura kutiiko


nemabhururu ako aaah mungataura
dzipi kunze kwaiye Runako, aaah
mazuva aya apindana kaah hama,
hazvigone here kuti uve unobhinya..."
Asati apedza kutaura ndakapindura
ndoti.

"Zvemuzuva ranhasi hazviite...."

Ndapedza kutaura mashoko aya


ndakatora nzira yekumba, Dhigo
ndakamusiya akamira uku akabata
wake muromo. Ndakambofunga
zvekutora mukana uyu kuva
ndinonetsana naye asi ndakazvidzora
hangu. Ndasvika kumba ndakabvunza
amai vangu zvandaida kunzwisisisa
panhau yaChirinda pamwe chete
neyaRunako ndiko kutanga kutaura
kwavo voti.

"Runako panhau iyi haana mhosva


mwanangu. Ungave unomuvenga hako
asi mwana uya ane moyo wakanaka.
Kungoti zvakazoendawo nepamwewo,
iye achiuya pano akauya nenhau
yekuti ndiende kunokumbira
ruregerero, ataura izvi akave
anondivimbisa kuti kana Mambo
vaizotaura mombe kana chibage
aizove anondipa zvekunoripisa zvacho.
Neniwo wacho ndizvo zvandaive
ndakatarisira, zvino ndasvika
kunaMambo kuya ndakanzwa ave
anotaura zvekuti kuti uve unobuditswa
muchizarira ndaifanirwa kuva
ndinomupa Chirinda semuripo.
Ndigona kuva ndakatadza asi dai
pasina izvozvo iwewe wakafa, uye
zvekare dai pasina iye Runako akauya
nenhau iyi iwe ukave wakafa
kunyangwe zvakave zvinoendawo
nepamwewo. Ndakaonawo zvakave
zvinondinakira kuti vana vangu vose
vanenge vari vapenyu. Kana ndakave
ndinotadza ndiregererewo Chimuswe"

Vakatanga kuchema mushure


mekunge vapedza kutaura mashoko
aya, ndakasimuka pandainge
ndakagara ndokutanga kuva
ndinovanyaradza. Kutaura kwavo
kwakava kunondiratidza kuti Runako
ndainge ndakamufungira zvisizvo uye
chainge chave chinosara kuti ndigare
naye pasi ndomukumbira ruregerero
uye ndomuudza nhau yaivepo ye
humambo iyi. Asi taizove tinosangana
seiko, ipapo ndipo paigona
kuzondiremera, husiku chete ndirwo
rwandaigona kuva ndinoonana naye
zvichireva kuti husiku uyu ndaizoedza
kuva ndinoonana naye.

Zuva rasvika pakudoka ndakafamba


ndoenda kumuzinda, mumuzinda
hamuna kuva munondinetsa kupinda
sezvo ndakanopinda nekumusoro
kwemuzinda uko kwaisave nevarindi,
mushure mekunge ndapinda
ndakaenda kuimba yairara Runako
ndiko kunotanga kugugudza. Mushure
mechinguvana akave anouya
kuzondivhurira. Andivhurira kudaro
Runako ndakaona achive anoratidza
kushamisika nekuva anovhunduka
ndiko kuzondipinza mumba kwaakaita.
Ndapinzwa mumba ndakave
ndinotanga nekumukumbira
ruregerero. Ndapedza kukumbira
ruregerero ndokutanga kumuudza
nhau yehumambo pamwe chete
neyaDhigo, chakave
chinondivhundutsa ndechekuti iye
akave anondipindura achiti zvekuti
Dhigo aive munhu akaipa ainge
akazviziva kare. Nhau yandainge
ndamutaurira ndakaona kuti yakave
inomuvhundutsa. Tiri pakati
pekukurukura ndakavhundutswa
neruzha rwakabva nechekugonhi iro
rainge rakurorwa zvine simba pamwe
chete neruzha........

*End Of Chapter*

.
.
.
.

............
Ngatisanganei kusub grup.

Book redu 850 rtgs

Kana iri airtime 900

Vari kunze munotsvaga hama dziri


zimbabwe dzokutengerai book..book
harina apk asi rine video ndatenda,
rakapera kunyorwa

Ecocash number 0781003960 joseph


CHIMUNHU

Send proof of payment pa number


dzepawhatsapp dza kule C 0775937782
#PDF CREATED BY LORITY ARTS#

You might also like