You are on page 1of 456

TEZVARA NEMUROORA

(Season 1)

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 1

*MAMOYO*
Ndakamira ndakabata muchiuno
ndakatarisa murume wangu Mabasa uyo
ainge ari kutema huni ari kuseri kwehozi.
Ndakatanga kudzungudza musoro
ndakamutarisa kudaro. Misodzi ichibva
yangotanga. kuyerera gumisire ndave
kungoridza tsamwa. Ndaiti ndaroorwawo
zvakanaka izvo dzaingova hope
dzeakwegura kurota achiyamwa mukaka.
Ndainge ndakangogarira zita rekuti
ndakaroorwa. Kana muri muimba yesikiro,
Mabasa hapana kana chimwe chaigona.
Murume wangu aisave nezvizhinji
zvaanoziva uye aive asina kugwinya kana
takatarisa nhau dzebonde. Takange tave
negore rimwechete taroorana uye tainge
tisati tave nemwana. Mwana wacho
aigobva kupi iye murume wangu aingoita
rwejongwe ototanga kuridza hake
ngonono.

Mabasa akange akaroiwa nevakafa


chaivo nekuti kudai vakange vari vapenyu
vainzwa tsitsi. Zvakatondishamisa kuona
achiisa simba pakutema huni.
Ndaisafunga kuti aisave kana nesimba
rose zvaro. Zvimwe kuda mukutema huni
umu ndipo maiperera simba rake.

Ndakapukuta misodzi ndokubva ndaenda


muimba yekubikira umo mainge muna
vamwene vangu vaMuchandiona avo
vainge vari mushishi kukuya mumera.

"Muroora uno musha kuti ukure unoda


vazukuru. Zvimwe kuda wakauya hako
kuzodya chikafu chepano." Vakadaro
vamwene vangu vasina hanya.

"Murikurevera chii nhai amai?"


Ndakabvunza ndichida kunyatsonzwisisa

"Une nhumbu here pauri ipapo. Ave


makore mangani waroorwa nhai? Ini
zvekuti une nhumbu handizvione ini. Idzi
nyaya dzinofanirwa kutofambirwa chaiko.
Kana uchidzokera kumusha kwako
ungadzokera hako. Isu medu mumusha
hatitambire mashura akadero."

"Mhamha, mwana chipo chinobva


kunaMwari." Ndakataura ndichiti
vamwene vangu vachaona nemuono
mumwechete sewandaiva nawo

Ndakapindura mashoko aya ndichinzwisa


tsitsi. Zuva haraidarika vamwene vangu
vasina kundiudza makunun'u ma maodza
moyo. Zvakange zvatova muropa uye
ndakanga ndazvigamuchira kuti ndizvo
zvavari. Vaigaro popotera ini pakushaya
mbereko pane kuti vapopotere mwana
wavo uyo asina zvaiita. Mwanakomana
wavo ndiye ainge aine dambudziko.

"Saka chauri kuchema ipapa chii nhai?


Watukwa here. Iwe Mabasa. Mabasa
douya muno uone zvandinoitirwa
nerukadzi rwako rwawakanotora
kwaChirumanzu" vakadaro vamwene
vangu vachisekera godo kunge mukadzi
wepabarika uku vachirovanisa maoko
avo.

Ndakaona Mabasa uya ave kupinda


achimhanya. Apinda akatanga
kufemereka ndokubva atarisa Amai vake
ndokuzotarisa ini zvekare.

"Chii chirikuitika nhai amai?" Mabasa


akabvunza aita kukotamira akabata mabvi
ake .

"Chitobvunza rwukadzi rwako rwunenge


chimudhenge, ndamuudza kuti ndakuda
muzukuru ndizvo zvaave kuchema.
Undione futi ndichitaura naye. Mukadzi
wako anondishurira uyu. Anoshura
chaiko. Ndiudze Mabasa kuti ndizvo
zvawakamudzidzisa here? Saka ini
ndotadzawo kutaura maonero angu here?
Chandatadza apa chii nhai.? Heya
ndotadzawo kutaura kuti ndakuda
muzukuru here?"Vakadero ndokutanga
kuhwihwidza,

Ini ndainge ndangochiti kanha


ndakatarisa amwene vangu vaitaura
zvamugotsi matsuro. Ndakaona Mabasa
ave kunditarisa uku atsvukisa maziso.

"Iwe Mamoyo ndakati chii nenyaya


yekunetsa amai vangu pano?
Ndinokurova unondiziva zvakanaka
Ukundinzwa here? Saka mhosva yavo
iripakai ivo vachida muzukuru heee.?
Unoonererwa ndakuona. Kubvira nhasi
utozviziva hako kuti amai ava ndivo
nyakutumbura Handina kunhongwa kana
kungowerekana ndati amai ndauya kubva
mumhepo. Vane kodzero ye kutaura
zvavanoda nekuti ndiri mwana wavo".
Mabasa aitaura nehasha akatarisa
Mamoyo.

"Mabasa muudze mukadzi wako.


Muudze, ibva wangomuudza kuti ndakuda
muzukuru ini. Eeeh hauone
ndakutokunzwira kaah ini pandiri pano"
Vamwene vangu vakadaro.

"Ndatomuudza atozvinzwa. Mamoyo


hanzi naMuchembere ndakuda mwana.
Wotoudza madzinza ako kuti
muchandirambisa" misodzi yakange yoita
kunge nzizi mbiri pamatama angu.

Wandaida iye achindidawo ndiye ari


kutaura mashoko anoita kubaya pamoyo
chaipo. Ndiye here Mabasa anogaro
kundiudza kuti chipo chinobva
kunaMusikavanhu.? Ndiye here Mabasa
wandinoziva anogaro kundiudza kuti
chikuru kufema?
Zvino kana ariye wandinoziva nhasi
zvaari kutaura zviri kubva kupi.?"
Mibvunzo yandaizvibvunza ndega isina
anopindura. Ndipo pandakaona kuti
chinhu chinonzi hungomwa kana kuti
kushaya mbereko chakaipa zvikuru.
Yakave mhezi yavavira mumoyo
isingakwenyeki.

Ndakasimuka ndokuenda kuimba yedu


yekurara uko ndakasvika ndikatanga
kuchema chema zveshungu chaizvo.
Ndiri pakati pekuchema ndakaona
Mabasa apinda ndokuuya pandainge
ndakagara kwave kutanga kundipukuta
misodzi nemaoko ake.

"Mukadzi wangu ndinokumbirawo


ruregerero nemashoko andataura.
Ndanga ndichida kungoti amai vangu
vasarambe vachichema. Iwe
unongozivawo wani kuti machembere
anonetsa, chinyarara kani Mudiwa.
Svusvura ndadya yangu. Manje
ukachema ini ndinobva ndachemawo
chido chemoyo wangu!." Mabasa akadaro
achida kuedza kundifadza.

"Chema hako. Heya ini ndini ndine


dambudziko manje" ndakadaro
ndakamutarisa meso ake.

"Saka ane dambudziko ndiani nhai? Rega


ndichikuudze hako. Chokwadi ndechekuti
ini pandiri pano ndave kumudawo
mwana" Mabasa akadaro nezwi riri
pamusoro.

"Iwe Mabasa ini handina dambudziko"


ndakamupindura ndasvotekana.
Chokwadi mhosva yacho yopihwa ini
kuita sekuti ndinogadzira mwana wacho
ndega. Vanhu ava havadi kunyarwa
nekuti vanoramba vachipinda nemwenje
mudziva.
Panguva iyi ndainge ndasimuka
pandainge ndakagara, ndokubva ndabata
muchiuno.

"Ndinonzi Mamoyo ini handiendi kure


nechokwadi. Takatarisa panyaya iyi iwe
ndiwe une dambudziko. Unoti mwana
anobva kupi iwe uchingoita hwejongwe.
Mazuva ose kubva tichiroorana ndinenge
ndichingoverenga mbariro dzemba.
Wapedza izvozvo wotanga kuridza
ngonono sekunge unenge washanda
basa svinu. Rega ndikuudze kubva nhasi.
Chinhu chinonzi mwana chinoshandirwa.
Kana uchida mwana kubvira nhasi
wotochinja maitiro." Ndakanzwa
kurerukirwa pandakataura izvi. Vanhu
vaguta kunyararirwa ivava.

Mabasa ainge angobata muromo wake


kuratidza kushamisika nezvandainge ndiri
kutaura. Haaitadza kushamisika sezvo
ndainge ndisati ndambomukwidzira izwi
uye kumutaurira chokwadi seichochi.

"Mamoyo usada kundidherera handiti.


Iwe ndiwe une dambudziko. Ju ju ju kuita
sei? Ndichitombojunga hangu. Iwe
bvumawo kujungwa uone kuti mwana
haabude here? Iwe kana uchizvara zvara
kaaah"

"Gegege rega ndiseke zvangu ini mwana


weuya muera Zhou, hee. Kutoti zvara
tione. Ndinozvariswa nehuku here?
Nejongwe here. Iwe ndiwe unofanirwa
kundizvarisa. Iwe kana uchizvarisa
ndizvarise tione kuti unozvarisa here.
Kana kuti ndiudze wawakambozvarisa"
Ndakaita kumutarisa nemaziso matsvuku.

"Handina wandakambozvarisa ko iwe


wakambozvara here?"

"Handina"
"Saka tose tine dambudziko. Ndizvo
zvitoripo mukadzi wangu" Akadero
achibva asimuka.

Ndakaona shasha yave kuswedera


pandainge ndakamira kwave kunditsvoda

Ini ndakabva ndadairirawo mhedzisire


tave kuedza kugadzira mwana. Mabasa
akange ane shungu dzekuda kundiratidza
masimba asi zvakangoita semazuva ose
ndikasara ndiri panzara. Ndakasara
ndoridza tsamwa iye atobuda.

Mazuva akapindana ndichingoudzwa


magara moyo namai vakandiberekera
murume vangu. Ndaitukwa zvinorwadza
kutsanangura. Semunhu ane tsika
ndaingonyarara hangu asi bundu racho
rainge rachikura, kudai kuri kunzi
kumusha kwedu ndainge ndisina kuita
zvekutiza ndaidzokera hangu.
Chandainge ndakagarira apa
ndaisachiona hangu.

Rimwe zuva pamusha painge pangosara


ini naTezvara vangu Mabhon'a, Vamwene
naMabasa vainge vaenda kumunda. Ini
ndainge ndiri kutosuka ndokuona Tezvara
vachisvika pandainge ndiri kusukira.

"Maswera sei baba" ndakadaro


ndichityora muzura semuroora ane tsika.

"Ndaswera hangu muroora. Nhai Muroora


saka watoshinga here. Chokwadi uri
munhamo. Ko wairegerei kundiudza
kubva kare kuti Mabasa haana zvaari
kuita" Tezvara vangu vakabvunza
wanikwe ini ndoshaya pekunyura
nenyadzi. Dai pasi paivhurika musi uyu
ndakapinda hangu.

"Usanyara hako muroora. Zuva


rawaipopotedzana nemurume wako ndipo
pandakanzwa zvose. Usanyara hako.
Ndinozviziva hako kuti une bundu
pamoyo asi ini ndinogona kungoripodza."

"Matii"

"Ndiri kungoedza kuti ini moyo wangu


unorovera pauri muroora. Chingondipa
mukana uone kuti ndinokupa zvose
zvauri kuchemera. Hongu uri muroora
wangu asi izvozvo tinogona kumbozviisa
padivi. Please please. Ndiri kutaura zviri
pakati pakati pemoyo wangu."

"Baba mave kupenga here? Hamunyare


makaita sei? Asi munondiona kunge ndiri
hure. Manje Vamwene naMabasa
ndinoda kuvaudza chete"

"Zviri kwauri muroora kusakura kana


kuzunza. Wakasununguka asi ini
ndataura zvanga zviri pamoyo. Zvasarira
iwe kuti uchaita sei" Vakabva vatanga
kufamba ndokundisiya ndangobata
chisukiso mumaoko uku pfungwa
dzakuita kupishana.
*End of chapter*
https://chat.whatsapp.com/B8nHhflOSq13
or1rwnAzAd

https://www.facebook.com/100058838586
544/posts/355189703118980/

*TEZVARA NEMUROORA*

STORY BY KULE C
0775937782
*CHAPTER 2*

*MABASA*

Mukadzi wangu ndaimuda nemoyo wese.


Nyaya yainge yave kundivhiringidza
yainge iri yemwana. Ndakazofungisisa
ndikaona kuti Mamoyo anogona kunge
akataura chokwadi asi zvakadaro
zvaindirambira kuti ndibvume kuti ndini
ndainge ndiine dambudziko. Hongu kana
muri muimba yesikiro ndaive ndisina
simba. Handitozivewo kuti zvaifamba sei
pamwe kuroiwa chaiko ndiko kwandainge
ndakaitwa.

Ndakamukira kuna Deke uyo aive


shamwari yangu yepamoyo uye ndaida
rubatsiro kubva kwaari. Ndakasvikowana
achiri akarara sezvo ndainge ndamukira
runyanhiriri chairwo. Ndakagogodza
kwechinguva chakati rebei ndikange
ndave kutofunga kuti kuda ainge abuda.
Pandakangoti nhanho mbiri ndave
kudzokera ndipo pandakanzwa gonhi
rave kuvhurwa.

"Aaah ko ndiwe hako Mabasa.


Ndatoshaya kuti ndianiko iyeye anoda
kunditadzisa kurara." Akadero Deke
achiratidza kushamisika nekundiona.

Apa ainge akangopfeka chibhurukwa


chemukati chete. Mumwe wangu uyu
aitoremerwa nekufunga dzimwe nguva
nyangwe hazvo ndaitodawo zano kubva
kwaari. Zvino kudai awana ari
munhukadzi ari pamusuwo ainyarira pai
nhai? Ndakazoona kuti gonhi rake raive
nehwangwaridzo kuda ndipo paainge
andiona napo.

Deke akapinda mumba kwave kudzoka


apfeka zimutaranginya pamwe
nezihembe izvo zvaratidza sekunge
zvavhomorwa mumutsamhiro
nekuunyana

"Kwakanaka here kwawanditsika kudai


nhai Mabasa?". Akandibvunza mubvunzo
uyu achibva atanga kushama na'i.

"Kuchinaka kupiko sahwira. Kundiona


kudai ndiri parunamananzombe chaipo.
Ndati ndiwanewo rubatsiro
nekuchimbidza. Unozvzivaka kuti ini
nemukadzi wangu hatina mwana. Zvino
nezuro ndipo paari kundiudza kuti ndiri
kungoti ndiri kuita hwejongwe ndoti fototo
ndokusaka asiri kubatira pamuviri.
Chimbondiudzawo kuti ndini ndine
dambudziko here?" Ndakataura ndisina
kunyenyeredza.

Deke akatanga aseka asati andipindura.


Kudai aiziva mhezi yaive muura hwangu
asiri kumboseka sezvaari kuita.

"Kana uri kungoti ju ju sekutaura kwako


ndiwe unenge une dambudziko. Zvinoda
kushandirwa izvi. Kutosunga dzisimbe
chaiko. Kutotanga wadya sadza chaiko.
Uye zvekare kana usina kusimba mukadzi
haungave unomuitisa nhumbu" akadaro
Deke akanditarisa

"Zvino ndoita sei?. Muchembere ave kuda


muzukuru. Neniwo wacho ndave kuda
kunzi baba. Dzivo racho pakati paamai
nemudzimai wangu harichaperi pamusha
pangu. Mazano marairanwa shamwari".

"Ini ndinongonzwa kuti kuChipinge kune


na'nga iriko. Hanzi inopa mishonga yekuti
murume ave akagwinya pa zvinhu zvake.
Asika zvechin'anga mukore uno
zvakutyisa. Unorombeswa masikati
machena. Chandingatokuudza ndechekuti
pfugama unamate bhururu. Uye kusiira
zvose kunaMwari. Mwana chipo chinobva
kunaMwari. Iwe nemukadzi wako
mukasimbisana munofamba negwara
rimwe chete"
"Haaa kurombeswa kupiko. Iwo uno
mwedzi ndikawana mari ndingafe
ndadonhako kuChipinge ikoko. Ndiri kuda
kupona ini. Zvangu zvinenge
kutotemerwa nyora chaidzo. Munhu
akaita izvi ndikamuziva ndinomugadzika
sanhu masikati machena chaiko. Pane Ari
kundironda tsoka unombozviziva here.
Ndiwe wega wandave kuudza mashoko
aya sezvo ndiri kuvimba newe. Ndirere
kuhope ndinoita sekurota munhu anenge
achitambisa nhengo yangu iyi, asi chiso
chake ndinenge ndisiri kuchiona. Dzimwe
dzenguva ndipo pandinorota ndichirara
nevakadzi vandisingazive kuti ndevekupi.
Dzimwe dzenguva ndatorara nemukadzi
wangu ndinotanga kuona mufananidzo
wevakadzi vaye mumaziso angu ndichiita
sekuti ndivo vandiri kutorara navo. Zvine
chirevo chete!". Ndakadaro ndakabata
shaya asi nerimwe divi ndichinzwa
kurerukirwa nekutaura kwandainge
ndaita. Zvinhu izvi zvaindidya moyo
mazuva ose asi ndisina wekuzviudza.

Ndapedza kutaura ndakaona bhururu


wangu ave kudzungudza musoro wake.
"Ndatya hangu. Zviri pauri zvikukutu.
Shinga kunamata Mabasa, kana
zvichigona ibva watopfeka gemenzi
chairo. Mhepo iri pauri imbozorora.
Sekuona kwangu inenge shaisano"

"Asi nemhaka yei munhu iyeye


akandigan'ira zvekudaro."

"Ipapo panonetsa. Mukore uno unofumisa


mumwe munhu iwe usingazvizive uye
ukaziva kuti hama yako ndiyo muroyi
wako unenge watokunda, kwete kuswera
uchiti heee mai nhingi vaye vemuraini
ndivo chete. Ipapo unenge uri
kuzvinyengedza. Zvawandiudza kudai.
Ndichaita sekutaura kwako. Hapana
wandinoudza bhururu"

Ndakamutenda nemashoko ake, ndiko


kuzoparadzana ndodzokera kumana
kwangu. Ndiri munzira
ndaingodzungudza musoro dzamara
ndasvika. Mudzimai wangu
ndakamuwana akagara muberere memba
uku akabata shaya uku misodzi yake
ichiyerera.

"Mabasa, asika chandakatadza


handichaziva ini. Imhosva here kuti hatina
mwana nhai murume wangu. Neiko amai
varikungoramba vachindituka" akadaro
paakangondiona ndichigara padivi naye.

"Ndivo vakatuka here? Vakutuka vachiti


kudii.?Saka ndizvo zvauri kuchema
here?"

Ndakasimuka ndokubva ndabata


muchiuno. Amai vakaerekana vasvika
patainge tiri, ini ndokutanga kupopotera
Mamoyo. Ndaisada kuratidza Amai vangu
kuti zvavari kuita zvakaipa.

"Saka ndizvo zvauri kuchema izvozvo


mukadzi mukuru. Kutukwa
kunochemedza here? Ndiwe watanga
kutukwa panyika pano. Mamoyo usada
kuzviitisa iwewe. Amai ini handichazive
kuti ndoita sei?"

"Mabasa mukadzi wako ndanbomuudza


kuti dai izvezvi ari wekuzvara , zvimwe
kudai mwana wake ave kutokambaira
,kwakubva atotanga kutochema. Dai
zvichinzi ndanga ndichitaura naye taiti,
zvino ndanga ndichitotaura hangu ndega.
Iye angoitawo manzwira. Uuuh Mamoyo
ane nzeve dzakakura, ndanga
ndichitaurira pasi. Bhasopo kuita
makuhwa"

"Amai chimusiyai akadero. Munoziva


unonzi mupengo here? Ndiwoyu"
Ndakaona Mamoyo ave kusimuka
ndokuenda mumba. Ndakanzwa tsitsi.
Ndave kuda kutomutevera amai vakabva
vandibata ruoko.

"Ko wakuenda kupi.? Dai uri mumwe


waroora mumwe mudzimai. Uyu
todzosera hedu kumusha kwake. Hameno
kuti iwe Mabasa ipapo uri kupaonawo
sei? Chokwadi ukaroora mumwe mukadzi
ndingawana zororo. Uyu Netsai
wekwaChimunhu haana munhu, uyu
Chido wekwaJoramu haana munhu. Vose
vandikutaura ava vanozvara, uyu Netsai
ane vana vaviri. Uyu Chipo ndiye ane
mumwe chete. Pakadii apa mwanangu"
vakadaro amai vangu vakandibata
pamafudzi chiso chavo chakazara
menyemwerero.

Ndakaunyanidza chiso changu ndokubva


ndavatarisa.
"Hongu muri Amai vangu asi hazvirevi
kuti mune tendero yekundirongera
hupenyu. Ini manje kunotora mvana here.
Kana nguva yakwana achauya mwana
wacho."

"Ndiwe here Mabasa uri kutaura mashoko


aya" vakadaro amai vakandinongedzera.
Ndakabva ndazvidzikamisa kwave kuti
"Amai regai Mamoyo wacho ndimupe
mwedzi chete timboona kuti zvinofamba
sei? Ipapo ndinogona kuzomuramba
hangu kana zvakona".

Ndakabva ndaenda mumba maive


nemukadzi wangu uyo wandakawana
achiita kuchema. Ndakatanga
kumunyararidza ndokubva
ndangosundirwa kwakadero.
"Iwe Mabasa siyana neni ukunzwa...
Panze apo wandiita benzi ikozvino
wakuda kundinyararidza. Ndisiye zvako
uyende kure neni!"

Akabva atanga kuyeredza misodzi.


Ndakatomboedza kumunyengetedza asi
zvakashaya basa. Ndainge ndakushaya
kuti ndoita sei? Amai vangu ndaivada,
Mukadzi wangu ndaimuda. Vose vari
vaviri ndaisada kuvaona vachichema.
Chokwadi nyaya yemwana yaida
kugadziriswa. Ndisati ndapomera
mukadzi wangu kuti ndiye ane
dambudziko ndaifanirwa kuenda
kuChipinge. Asi mari yacho ndiyo yainge
isipo. Ndakafunga zano ndokubva
ndaenda kudare kwaive naBaba vangu
Mabhona' ndaida kuvakumbira mari
yebhazi. Ndakavawana vakabata inenge
mishonga mumaoko avo, pavakandiona
vakaratidza kuvhunduka ndokubva
vahwandisa mishonga iya.

"Ko iyoyo mishonga yei nhai baba?"


Ndakadaro ndichida kuvaratidza kuti
vazosara voviga ini ndatoona kare.

"Mishonga Ipi? Hoo iyi here. Aaah


ndeyangu mwanangu. Mudumbu mangu
muri kurumaruma saka pane imwe
na'nga yakandiudza kuti ndimwe
mishonga iyoyi"
Zvino vainge vari kuhwandisirei. Handina
kuzoita shungu nazvo, ndakabva
ndangovaudza zvandainge ndafambira.

"Unoda mari ye kuenda kupi nhai


Mabasa?"

"KuChipinge Baba"

"KuChipinge kunoita sei? Aaah ndanga


ndati unoda kuenda kumwe, kana kuri
kuChipinge ini handitambise mari yangu.
Unoda kunoita sei kuChipinge kwacho...
Heee..."

Vakadero ndokumbomira kutaura,


vakabva vanditarisa vachibva vati.

" Wawana pano ndave kutosimuka"


Vakabva vangosimuka ndokundisiya
ndangobudisa maziso.

*End of chapter*
https://www.facebook.com/100058838586
544/posts/355189703118980/ like my fb
page

*TEZVARA NEMUROORA*

?
STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 3

*MABASA*
Ndakasara ndangobata shaya. Zvino mari
yacho ndaizoiwana kupi? Ini ndaive shuro
yemubhuku yaifamba nemapage. Ndaive
ndisina chandinacho. Chandaingove
nacho muhupenyu rwangu ndiye iyeyu
Mamoyo. Kutambidzika kwangu kunoita
kunge paive nechinodaro. Ndikabata mari
ndaisaona kushanda kwayo.

Ndikaenda zvekare kumine ndinogodzoka


achingova maoko chete, dzimwe
dzenguva ndinoita mari svinu asi
ndinotobirwa nevanhu vandinenge
ndichishanda navo. Zvino kana zvichidaro
ungazoita shungu dzekushanda here.
Dzimwe dzenguva kana zvakada mari
yandida, ndinobuda shavi chairo. Ini
hwahwa sandiko kudya kwangu uye doro
racho handitomwe. Ndikangoita mari
ndipo pandinoenda kubhawa. Bhawa rose
ndinoritengera.

Ndakazosimuka pandainge ndakagara


ndokuenda kuimba yekurara, ndakawana
mukadzi wangu achiri kungochema.
Ndakanzwa tsitsi ndakamutarisa. Neni
wacho ndakatangawo kuchema.

"Mamoyo ndiregererewo mukadzi wangu.


Ndinozviziva kuti ndinotadza misi ne
nguva"

"Chiri kukutadzisa kuudza vabereki vako


kuti ndiwe une dambudziko chii nhai?
Unoda kungoti ini ndingove
wekushungurydzwa kaah. Ndiri munhuwo
wenyama ndinotodawo kufara. Dai
ndakaziva haitungamire chokwadi"

"Dai wakaziva chii?"


"Ndisina kuroorwa newe kaah nhai. Uri
munhu rudzii asingagone kumira
nemukadzi wako. Pane kuti umire neni
unotomira hako naMai vako"

"Mudiwa wangu sa ndizvo zvauri kufunga.


Ipo paye ndinenge ndiri kuedza kuvhara
maone. Hunhu hwamhamha vangu
ndinohwuziva, ndinenge ndichingoda kuti
vadzikame chete. Manje ndikakusapota
zvinozobuda zvakanaka here? Honaka,
ini handishande. Tinodzingwa seimbwa
pano pamusha. Tadzingwa toenda kupi
nhai Mamoyo"
"Heya ndakunzwa, ko yemwana uri kuti
nayo. Ndiyo iri kunditukisa namhamha
kaah"

"Handitozivewo kuti ndoita sei? Kada


Mwari ationawo achauya hake" Handina
kumuudza yekuda kuenda kuChipinge.
Chero dai ndaizomuudza mari yacho
ndaizoiwana kupi. Pfungwa iyoyo
ndakabva ndatoiganhura hangu.

"Chimbopfugama tinamate mukadzi


wangu" Mamoyo akabva angonditarisa
ndokubva apfugama.
*MWARI NDINOUYA KWAMURI
MASIKATI ANO. CHIKUMBIRO NDICHO
CHEMWANA. INI NEMUDZIMAI WANGU
TINODAWO MWANA. NGAZVIITWE
SEKUDA KWENYU AMEN*

Ndapedza kunamata ndakaoneka


mukadzi wangu. Ndokupinda mumaraini
kuti nditsvage maricho. Midzimu yainge
yangandirasa, ndakazowanawo chibasa
pamwe mumwe mukadzi rekuchera
mvura. Ndiko kuzondiudza kuti mari
yacho aizondipa kupera kwemwedzi.
Hapana zvandakakwanisa kuita sezvo
ndainge ndamuudza kuti mari yacho
aizondipawo paanoiwanira. Zvehupenyu
zvakaoma.

*MAMOYO*
Tezvara vangu handina kuda kuvafumura.
Ndakaona kuti ndinenge ndavanyadzisa
uye neni wacho ndinenge ndaratidza
kusakwana chaiko. Zvimwe zvinhu
zvinongoda reasoning capacity iri high.
Unogona kuti wagona nyaya igosara iri
mumaoko ako zvikakutyisa. Ndaiziva
hangu kuti sezvo ndainge ndavaudza kuti
handivade vaizosiyana neni, and
zvakabva zvaitikawo sekudaro. Tezvara
havana kumbozondinetsa zvekare.

Chakazondishamisa mumwe musi


ndavaendesera chikafu kudare,
ndakanzwa vave kuti.

"Nhai muroora saka wakazotii nenyaya


yangu. Heya unoda kutochemberera
panaMabasa here? Uyu Mabasa hapana
kana nezvemurume"

"Hezvo. Zvamunoshura nhai Baba, pane


kuti musimbise mwana wenyu ndipo
pomomushora. Kurwadza kwazvo
pachiso chemuroora"
"Uchiti iwe ndinokuona semuroora here?
Aah ndinotokuona kunge ka musikana
zvako kemuraini. Iwe wakazvitarisa unoda
kuti ndimusimbise ndichiita sei? Dai
nhengo yake yaive pfupi ndaiita kuti ikure,
zvino yakatokura kudarika yangu. Iye
kusangogona kuishandisa chete"
Ndakatotadza kuziva kuti zvavaitaura
vaizviwana kupi. Ndofunga Tezvara
vainge vave pamweya sekuona kwangu.

"Nhai Ishe zvino ndichaitawo mwana rini.


Ndanga ndichikumbira kundiso" Ndainge
ndapfugama hangu. Ndakaona Tezvara
vave kuseka ndikaziva kuti vaisave
pamweya. Ishe angaseka here?
"Muroora ndini Tezvara ndikutaura. Ishe
wauri kutaura ave upi zvekare. Asi kaah
nyaya yangu ndofunga uri kuinzwa. Iwe
ndiwe usiri kuda kungondipa hako
mukana. Ndinokupa zvose zvauri
kuchemera, chero iye mwana within 2
minutes unomunzwa ave kukika kika
mudumbu. Ndinokuda Mamoyo,
tinozviitira muchivande kani. Parisei apa.
Ufunge ndiri kutotadza kurara
ndichikufunga"

"Mukaramba muchitaura zvekupenga


ndichaudza Vamwene" Ndakavasiya vave
kungosekerera ndokuenda kuimba
yekurara uku ndichiridza tsamwa. Baba
ivava vaida kutenderera chaiko, Ndasvika
kuya ndakawana nharembozha yangu iri
kurira. Ndakatarisa munhu ainge
arikufona ndokuona ari Shamiso uyo
ndainge ndamupawo nhau yangu
yewanano.

"Hesi Mamoyo, zviri kutsvobida here.


Message yako ndakaiona, asi ndaisave
nematext. Eeeh ko iwe urikugarirei nhai?
Dzokera kaah kumba kwenyu. Hauna
kudzingwa saka chinonetsa chii nhai?"

"Shamiso unenge wakukangamwa kuti


Baba vangu gore riya vaida kundiita
mukadzi, ukuwo hama dzangu hapana
anobvumirana nemashoko and akataura
ekuti Baba vaida kundirepa. Vose
vakabva vandivenga, kubva nanhasi
hapana anoziva kuti ndiripi uye
anotombondifonera. Vanotofunga kuti
ndakavanyepera uye kuti ndakavenga
baba vangu."

"Asi iwe hausi wakazozvinyanya here?


Waive wotaurirei mashoko akadero.
Ungadai wakangotiza chinyarare"

"Chinyarare iye munhu aida kutondirepa


here. Chero ndikati ndibve pano
ndinoenda kupi? Handina kwekuenda.
Rega nditsviremo mu teapot macho. Zve
marriage zvakaoma bestie. Ndaiti
ndaroorwawo asi zviroto. Unoziva zviroto
here?" Phone yakabva yati du du du
kuratidza kuti yainge yapera mari.
Ndakatura befu ndokubva ndagara
pamubhedha uku ndabata shaya. Padoor
pakabva paita knock. Ndakaenda
kunovhura ndokuwana vari Vamwene.

"Wanga wakarara here muroora. Wave


nenhumbu here. Nhumbu inoita kuti
munhu arare kaah"

"Ndanga ndisina kurara ini."

"Hezvoo haaa gore rino zvakaoma. Hoo


nhai ko panhumbu apa"
"Handina"

"Hezvoo. Mamoyo tiudzewo kuti kumusha


kwako hauna kusiya watuka hama here?
Haubatire nhumbu wakaita zvekudii. Gore
bha usina mwana, iya mbudzi haina gore
yave pano asi yakabereka kaviri kose, iwe
zvako Mamoyo hauna kana nechinokika
mudumbu. Iyo huku yemusvuu isina
mwedzi yave kutokandira. Iro Jongwe
rave kudzinga. Wazviona kaah kuti pano
hapana munyama, iwe ndiwe utori
munyama.. Tiri kuda mwana. Pakati
mwana apa" Mataurirwo acho apa kubva
waenzaniswa nehuku nembudzi. Haa
zvakaoma hazvo. Chandakatadza chaive
chikuru. Dai vaiziva kuti wavo mwana
ndiye balance vaivhara wavo muromo.

*End of chapter*
https://chat.whatsapp.com/C5emxI20ulG
Hcx0CnoMFby

https://www.facebook.com/100058838586
544/posts/355189703118980/ fb page

*TEZVARA NEMUROORA*
STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 4

*MABHON'A*
Ndini ndainge ndakabata hupenyu
hwemwana wangu. Ndainge
ndakamugadzira kuti asave anoitisa
mwana. Ndainge ndakamugadzira
zvekare kuti ashaye simba remuimba ye
mukati. Zvose izvi ndainge ndakazviita
achiri mwana mudiki. Ndofunga aive
nemakore maviri ekuberekwa,asati ave
kuenda kuchikoro. Izvi ndakazviita
mushure ndaenda kune imwe na'nga
yekuChipinge iyo yakandiudza kuti ndive
munhu asingakundwi nevavengi
ndaifanirwa kutogan'ira mwana wangu. I
left with no option kunze kwekuita izvi.
Zvekuti aive mwana wangu
ndakambozvisendeka parutivi. Mufunge
ndaive ndatambudzika. Zvipfuwo
zvaingoita rumwe rumwe kufa, kana zviri
zvirimwa waisaona kuwanda kwazvo. Asi
mushure ndaita izvi pakave neshanduko
ndikavewo munhu ane mombe. Kana chiri
chikafu ndainge ndakuiita matonnie
nematonnie, chimwe chibage
ndakatotanga kuendesa kuGMB. Mukadzi
wangu haana kumboziva nezvenyaya iyi.
Makore akaita seanomhanya
mwanakomana wangu ndokusvika
pakuroora Mamoyo, mushonga wangu
ndakazoona kushanda kwawo mushure
mekunge aroora. Gore rainge
rakutokwana vaviri ava vasina mwana,
rimwe zuva ndakanzwa mukadzi wake
achimupopotera ndikaziva nhau yacho.
Sezvineiwo ndakabva ndabatwa
neruchiva. Ndakatanga kuona ndave
kudanana nemuroora wangu. Zvekuti aive
mukadzi wemwana
ndakambozvikangamwa, aigova mukadzi
wemwana pakai iye Mabasa wacho
aisagona basa. Kutokundwa neni dhara
zvaro. Ndaikungurusa dombo rikanowira
uko.
Mamoyo ndakazomuudza zvainge zviri
pamoyo pangu. Ndakanzwa achiti
aizoudza Mabasa naVamwene,
ndakaziva hangu kuti kwaive kutungana
kwembudzi. Mamoyo ndaisada
kumushandisira mushonga, ndaiziva kuti
ndaizomuhwina hangu pasina mishonga.
Ndakatofano kumwa mishonga
yekusimbisa nhengo yangu, Ndainge
ndatoona maitiro ake ne mafungiro ake
ndikapedza naye. Uyu ndiye aitozova
wangu kusvika kumagumo. Ndaitozodya
painge pari kudya mwana wangu ipapo.
Yes ndainge ndazvipira hangu. Muroora
wangu aive akavakwa, aive mukadzi
akabatana. Chokwadi mwanakomana
wangu ainge akazvibatira mukadzi
akasvika.

Uyu Mabasa ndainge ndakabata hupenyu


hwake, chose chaaironga chaisabudirira.
He was under my control. Munhu kana
uchida chimwe chinhu unofanirwa
kutongochamuka, fanika in I can do
anything kuti ndiwane chandinenge
ndichida. Kana zvichitendera kuti munhu
abaiwe nebanga ndinopikira kutogura
musoro wacho, and pasina kana chimwe
chandinomboona. Kana
kumbozvisvinurira hangu.

Mazuva akapindana ikave mwedzi.


Mafeelings angu ainge achikura
kumuroora zvino. Ndaifanirwa kutoona
plan. Ndaona kuti tainge tasara tingori
vaviri chete, ndakaenda kuimba ye
muroora wangu. Sezvo door rainge
rakashama ndakangosvika nekupinda. Iye
Mamoyo ndakatomuwana achizora
mafuta asina chainge akapfeka,
zvichireva kuti ainge achangobva
kunogeza.

"Aah ko Baba muri kutsvagei muno"


Akadero achimhanyira kuzvivhara kuzasi
kwake. Ini ndainge ndatoona kare hangu.
Ndakabva ndangovhara door ndokuisa
chihuri.
"Baba budai muno ndisati ndaridza
mhere" Akadero ave nekutya kukuru.

"Mamoyo inga wangove munhu mukuru


wani. Dzungu ndiro rineiko. Dont tell me
kuti hausi kuda mwana. Saka uri kufara
nekugara uchitukwa naVamwene here?"
Ndakataura mashoko aya ndichienda
paari, ndaifamba zvishoma nezvishoma
uku ndakarerekera musoro. Handina
kumupa mukana wemupindura ndainge
ndatomubata muchiuno. Ndakanzwa
muviri wake uchiita kudziyirira wena.
Ndakaona Muroora achiita kakuvundikira
ndokubva ndangomubvisa Zambia uku
ndamutarisa mumaziso.
"Please Mamoyo ndokumbirawo one
chance please uone zvandinokuita.
Handisi kukumanikidza. I love you
Mamoyo"

Muroora pane kuti andipindure ndakaona


achingoita kakuvhundikira, ini ndakatanga
kumupuruzvira muviri wake ndokubva
ndamukisa, and iye wacho haana kumira
kuresponda. Ndaona izvi ndakatanga
kuita zvidobi zvidobi zvekufadza mukadzi.
Muroora ainge akuita kufemera
pamusoro. Ndaona kuti aparara
ndakangomuradzika pamubhedha
ndokubva ndaipfekera, chokwadi muroora
wangu aive panzara. Ndakazvipa nguva
yangu. Handina kumboti ju ju ju.
Ndakazvipa nguva yangu yakakura ini
ndaisave munhu anotanga kuparara,
ndakazoparara mushure mekunge iye
aparara kakawanda. Ndakangoita
kubowora ndokubva ndaparara.

"Thanks Mamoyo" Mamoyo pane kuti


andipindure ndakaona ave kunyara nyara.

"Usanyara kani bae wangu.


Hazvinyadzise izvi. Handi wapawo munhu
waunoda here. Dai waisandida usina
kundipa kaah" ndakaona ave
kungosekerera.

"Tezvara hope hamusi kuzoudza vanhu


zvataiita izvi" Ndakavhunduka uye kufara
nekutaura kwake uku.
"I love you Mamoyo."

"Love you Tezvara"

"Hahaha call me MABHON'A kani,


tichazviita muchivande handi Babie"
Ndakataura mashoko aya
ndichimwererera, neni wacho handina
kuzogara muimba yake ndakabva
ndangobuda ndakananga kudare uku
ndichingosekerera. Chaingondifadza
muroora ainge azondibvuma. Pachiso
chake ndakaona kusununguka kukuru
izvo zvaiisave. Chandainge ndangomirira
inhumbu chete. Mukadzi wangu
akatozodzoka zuva ravira kana ari
Mabasa akadzoka tave kutodya sadza
achibva kumaricho kwake. Ini naMamoyo
tainge tiri kungotsonyana hedu dzamara
ndaenda kunorara. Usiku uhwu mukadzi
wangu handina kumboita shungu naye,
ndaitopishana nepfungwa kuti muroora
wangu ndonomuona sei usiku uhwu.
Zvinhu zvacho zvainge zvandiipira..

*MAMOYO*
Zvinoita rudo so. Ndaisafungira kuti
vaTazvera vangu ndaizobvuma shoko
rerudo. Zvekuti vaive Tezvara
ndakambozvikangamwa. Ndainge
ndatofonyorwa brain chaiko. Pluz
semunhu aidawo mwana I left with no
option. Uye semunhu aigara achiudzwa
magaramoyo naVamwene ndakashaya
imwe option. Mushure mekunge tarara
tose ndakatanga kutoda Tezvara kudarika
wangu murume. Hongu munogona kuti
zvaisave zvega, asi ini ndaitoona kunge
zviri zvega.

Ndainge ndakugara ndakafara zuva


nezuva, zvekuti ndaitukwa naVamwene
kana kumbozvisvunirira hangu. Chainge
changosara kuvaudza kuti tiri kuchinjana
murume. Chokwadi Tezvara vangu
vaiziva zvavaiita uye vaipedza masports.
Wega wainyotsokunzwa kuti pano pane
munhu anoziva zvaanoita. Ndinototadza
kuziva kuti Mabasa akatodza aniko.
Ndaizvinyepera pandaifunga kuti
akatodza baba vake. Baba vake ipfuti
paimire zvayo. Chinondifadza vanoziva
chekubata.

Mabasa ndainge ndakutomukangamwa


mupfungwa dzangu. Ndaitomusema
chaiko. Ainge akutondishaisa nguva
yekuti ndifadzane naTezvara, kunyangwe
zvakadaro ini naTezvara taionana
tichirara tose zvekare. Taisashandisa
kana condom zvaro.

"Mazuvano Mamoyo uri kumbofarira


chiiko. Asi wave nenhumbu"
Akandibvunza Mabasa, ndakatoridza
tsamwa pane kuti andipindure. Ndakaona
shasha yave kuda kundibata bata, ndiko
kungomuudza kuti ndainge ndiri kurwara.

"Watanga kurwara when munhu anga ari


kusekenyeka iyezvino"

"Ndatanga izvozvi Mabasa, musoro uri


kuita kutema chaiko. Good night"

"Hii usadaro Mamoyo. Saka nhasi ndofa


nenyota makumbo ari mumvura here?"
Hameno ikoko. Ndomudii munhu anongoti
ju ju ju nhai. Zvekutambisirwa nguva
yangu ndainge ndisingachade. Ndakabva
ndatotanga kunyepedzera kuridza
ngonono. Iye ndaimunzwa achitura
mafemo. Hameno ikoko. Ini pfungwa
dzangu dzainge dzatove kunaTezvara.
Ndainge ndakungoona Tezvara
mumaziso angu

*End Of Chapter*

https://chat.whatsapp.com/HTemVYbUpv
Q1BTFLJPrOMa
https://www.facebook.com/100058838586
544/posts/355189703118980/ like fb page
kule c novels

*TEZVARA NEMUROORA*

STORY BY KULE C
0775937782
CHAPTER 5

*MAMOYO*
Ndainge ndakugara ndakasunuguka
pachiso. Ndainge ndaita kunyura murudo
nenjere. Chokwadi kana ukadiwa
nemunhu anenge achizivawo zvaanoita
stress inotomboita dissapaer.

Mabasa ndainge ndichisina basa naye,


infact ndainge ndisisina kana ma feelings
naye. Muhupenyu hwangu dai
ndakatanga kusanganiswa naMabhon'a
handifunge kuti ndaizomboita
nezvaMabasa uyu asina kana nebasa
rose.

Ndainge ndakatorara nemanhede uku


ndiri paphone, ndainge ndiri kutaura
naTezvara vangu.Ndakaona message
yakupinda ichiti ngatisangane muchikomo
icho chaive mujinga pemusha.

Ndapedza kuverenga message iya phone


yacho yakabva yangotanga kurira. Ainge
ari Mabhon'a ainge ari kundifonera.
Ndakatanga ndagadzirisa voice rangu
ndokubva ndadaira.

"Hello Dadie"

"Message yangu waiona here nhai


Mamoyo. Mugomo ndimo manditori
kutaura kuno"

Ndakaerekana ndaseka. Baba ava kana


vaisapenga vaitodhunya.

"Ko urikusekei futi. Uri kuuya here babie."

"Aaah handisi ini."

"Nekuda kwei? Unoda kutsunyiwa


kunogara handi. Ndiri kukupa 2 minutes
kk. Ukaita zvekutamba ndinouya ndikaita
zvekukusimudza"

"Aaah manje ndakutoenda


kunaVamwene"
"Hii jokes kani. Chiuya kani babie ndisati
ndarumwa nemago. Ndikangorumwa
inofira kwako. Manje ndine zi surprise.
Iwe huya chete uzvionere" Phone
yakabva yati du du kuratidza kuti yainge
yapera mari. Ndakabva ndangopfeka
zvimapata pata zvangu, ndakutoti
ndibude Mabasa akabva angopinda

"Mamoyo ndianiko wawanga uchitaura


naye paphone" Akadero achitora phone
iya. Ndakangonamata kuti asaenda
kumamessages, pluz chero aizoenda
kumamessages number dzaTezvara
ndainge ndakadziti Munhu wechikwereti.
Ndakaona Mabasa ave kundidzosera
phone yangu.
"Munhu wechikwereti ndewekupi uyu.
Ndiye anga afona here?"

"Yes ndiyeye, ndeimwewo chembere


yandakatorera tumapant. Vane mapant
avaitengesa."

"Wakatora zvarini."

"Patove ne mwedzi."

"Mamoyo unopenga here iwe. Mwedzi


wese usina hako kubhadhara munhu.
Heee iwe waitora mapant emunhu uchiti
mari yacho unozoiwana kupi? Ndiro
dzungu randisingade iroro. Apa iwe kana
kumbondiudza hako. Pluz mapant
emuvanhu haasi safe kupfeka ayo, arikupi
mapant acho" Ndakabva
ndangomuratidza mapant maviri
manewone ayo ndainge ndakatengerwa
naTezvara.

"Ndipe hewo. Ndikuda kumapisa. Mapant


haasi safe kungopfeka pfeka hatizozive
patiri kuchiwanira isu. Mwana hatina.
Muvengi wedu hatimuzive. Patiri
kuchiwanira hatisi kupaziva zvekare"

Ndakada kuita hasha asi ndakazvidzora


hangu. Munhu busy kutaura zvekupenga
iye ariye aive nedambudziko. Handina
kuratidza kuti ndainge ndamutsamwira,
ndakamusiya abata mapant iyayo
hameno kuti aida kutanga amapfeka here
ozomapisa kwacho. Ndakabva
ndangoenda kwaive naVamwene vangu
ndokuvaudza kuti ndainge ndiri kuenda
kugomo kunotsvaga huni. Vamwene
vangu havana nekundipindura kose,
vainge vakaita kufutisa matama. Obvious
nyaya yemuzukuru ndiyo yavainge
vakadai kutsamwira.

Ndasvika mugomo ndakaenda pabase


apo ndaigaro kusangana nemudiwa
wangu mazuva ese, ndakamuwana
akatogara pachitombo uku akabata
shaya. Achingonditi baa akabva
andimhanyira.

"Babie thought kuti hauchauya kaah


nhai?" Munhu akabva atotanga kundikisa,
semunhu wandaiziva kuti ainge arikudei.
Ndakabva ndangowadzira Zambia
ndokubva tarara tose. Ndapedza kurara
tose ndakavaudza mashura andainge
ndaitirwa nemwana wavo.

"Inga Mabasa anopenga, saka amapisa


here mapant acho."

"Ndatosiya hakuna kumapisa uyo"


"Dont worry babie.handi ndambokuudza
kuti ndine surprise here yako" Vakabva
vangobudisa 20 USA ndokubva
vandisvitsa. Ndakaita kupembera.

"Enda unotenga zvaunoda babie, inenge


yasara wotengawo mapant handi"

Ndakavatenda kasingaperi. Zvaingove


pachena kuti ndaidiwa kwete zvejoke.
Mabhon'a ndakazovasiya vari muchikomo
muya ndokubva ndaenda kumashops.
Ndasvika kumashops ndakatenga
zvinonaka ndokuzvigarira hangu uku
ndichizvidyira, change yainge yasara
ndakatengawo zvinodhaka.
Ndakangomwa sip ndaida kungonzwa kuti
rinoita sei doro racho. Ndakapfira ndapfira
zvee, doro racho raisave kana netaste.
Vanorimwa vakashinga havo. Doro riye
ndakangoripawo zvidhakwa zvaive pedyo
neni. Kuti ndirase zvaisaita. Kuzowana
ndotenga doro ndaive ndashaiwa
chekutenga hangu, kuti nditenge chikafu
ndainopinzwa interview ndikatadza
kuipindura mibvunzo yacho.

Change yainge yasara ndiyo


yandakazotenga mapant angu
ndokudzokera nemusango ndichitsvaga
huni dzangu. Kumba ndakazosvika
ndatakura svinga rehuni uku mapant aya
ndakamapfekera mubraa
Manheru tatogara semhuri apo tainge
takudy chikafu, ndakatanga kurutsa
ndokumhanya kunorutsira panze.
Vamwene vangu vakabva vamhanyawo
panze pandainge ndiri.

"Makazviita here Muroora.. Aaah Mwari


akanaka chokwadi. Inhumbu kaah iyi"
Vakadero vakotamawo uku vakandibata
musana.

"Handione sekuti inhumbu Mhamha"

"Saka chii? Zvinogona kungodaro futi.


Inogona isiri nhumbu. Iwe paumire chaipo
hauzivikamww. Mangwana iwe
nemurume wako munomukira kuchipatara
kunovhenekwa"

"Kuchipatara kwandakwbva iye zvino


here Mhamha"

"Izvozvo zvinei. Nhasi zvawarutsa nezuro


wakarutsa here?. Mangwana munhu
kuchipatara, utonamata kuti inhumbu
nekuti uri munzira kudzokera iko kwako
kwaChirumanzu" Vakandisiya
ndangomira panze, ndakazotevera
mumba pave paye. Munhu wese ndiye
ainge angochiti mwiro. Ava Tezvara ndivo
vaingonditarisa votanga kunyemwerera
havo.

"Iwe Mabasa mangwana unomukira


nemukadzi wako kuchipatara.
Anovhenekwa.. Zvimwe kuda inhumbu.
Kana isiri nhumbu inenge nyongo.
Muroora wacho anodyisa. Chauuya
kungobowera hapana chaasingarambi.
Chero yedhongi bhasopu kungodya. Dai
aigotenga chikafu pano taiti makorokoto"
Ndainge ndangotsikitsira uso hwangu
pasi Vamwene vachinditsvinyira, ndakada
kutochema asi ndakazvidzora hangu.

"Asi Muchandiona ndiudzewo kuti


muroora atadzei pano pamusha.
Ndinomaona hangu mabatiro aunomuita.
Why muine hutsinye kubasa"

"Imi vaMabhon'a musataura sekunonzi


hamude muzukuru. Imi kana
musingamude ini ndinomuda hangu.
Ndinoda muzukuru pano. Uyu
chaakagarira pano chii nhai? Ko imi
makwana papi panyaya dzevakadzi. Asi
iye muroora akakugarirai deya.
Zvakatanga rini kupindira nyaya dzedu.
Mamwe mazuva munongoita sekuti
hamusi muno mumba. Munotoita kupona
ne kubudisa mweya"

Ndakasekera mumoyo. Mai ivava vaive


nemwando chaiko. Vaisaita semunhu
mukuru.

"Aah ndanga ndangoti nditsiurewo sezvo


zvanyanya. Zvino mungaudzirwa
muzukuru chigumbu chinopera here?"

"Ini chandinongod muzukuru wemwana


wangu."

Mabasa ainge angotsikitsira uso hwake


pasi, takazosara kuenda kunorara pasina
aitaura ne mumwe, kana ari Mabasa
haana kurara, hee une nhumbu hee this.
Uyu aitopenga kunyangwe ndikave
nenhumbu handifunge kana yaive yake.
*End Of Chapter*

*TEZVARA NEMUROORA*

STORY BY KULE C
0775937782
CHAPTER 6

*MABASA*
Hope dzakaramba nekuuya kose.
Ndakarara ndakaita kusvinura dzamara
kuedze. Kana zvaizoitika sekufunga
kwangu ndaizove munhu anofara pasi
pano. Sekuona kwangu mukadzi wangu
uyu ainge ave nenhumbu. Zvino kana
asina nhumbu aizorutsa here?
Zvakandirambira izvi.

Mangwana acho ndakatoita wekumutsa,


iye aitove flat achitoridza ngonono.

"Mamoyo ita uchimuka kani. Tinofanirwa


kuita vekutanga kusvika pachipatara"
Ndakadero ndokutanga kumuzungunutsa,
panekuti amuke akatoramba akarara
hake.

"Mamoyo Chimuka"

Ndakaona amuka ndokubva afuga


musoro wake nejira.

"Nhaiwe Mamoyo asi wakangamwa nhau


yanhasi here?'

"Nhau yechii? Mabasa ndikuda kurara ini.


Kwakanaka here kwaunondimutsa
mangwanani akadai nhasi"
"Wakangamwa here nhau iya yekuti nhasi
unofanirwa kunovhenekwa"

"Aaah ndanga ndatozvikangamwa ini.


Zvino wageza here zvauri kundimutsa
kudai"

"Ndogeza ndadzoka kaah nhai. Tiri


behind time nxaa"

"Time dziripo idzo. Chienda unogeza ini


ndichiwarurawo machira" Ndakamusiya
ave kugadzira pamubhedha. Ndokuenda
kunotora mvura, ndokubva ndaenda
kunogeza. Kugeza kwacho ndakangoita
kuzvidira muviri wese. Chero iye aigeza
muteuro aisara pasi. Chokwadi ndaive
behind time. Zvosangana zvekare
nekutononokerwa kuenda kuchipatara
kwacho. Handina kumbotora nguva ndiri
muchigezero. Within 2 minutes ndainge
ndatobuda. Mamoyo ndakamuwana achiri
kungopeta machira. Ndofunga ainge
ambosara akadzokera mumachira.
Kuenda kunogeza nekudzoka
achingopeta machira here? Mukadzi uyu
aive nehusimbe chairwo.

"Hezvoo watopedza kugeza"

"Ndatopedza ini."

"Gegege urikumhanyira kupiko. Kumeso


uko kurikuratidza kuti hakuna kana
nekuwota"
"Aaah iganda rangu risingabvume mvura,
iwe unoti nebasa randinoita
ndingatsvukirira here? Nanhasi hauzive
kuti zuva rinosvibisa here? Ndopfeka
chiiko. Rega ndipfeke kabudura iro. "
Ndakatora kabudura racho ndokubva
ndaripfeka, uyu Mamoyo ndiye ainge
angonditarisa pane kuti apfekewo
mbatya, ainge achiri akapfeka night
dress.

"Chirega ndinogezawo tigouya toenda"

"Kugeza chiiko"

'Iwe wageza wani. Heya ini ndoenda


ndisina kugeza manje. Kuvhenekwa
kwacho kunotiza here nhai Mabasa."

"Chienda unogeza kwacho"

Ndakasara ndagara pamubhedha uku


ndichingosekerera zvisina direction.
Ndainge ndiri kufara chaiko.
Nechemumoyo ndaingonamata kuti dai
ikave nhumbu. Uyuwo Mamoyo ndiye
akaita gore ari kuchigezero. Vanhukadzi
ritori dambudziko ramuinaro. Kuti muite 2
minutes muchigeza hamutogone kaah. Ini
zvinozondibhowa hangu, munhu anenge
achiimba uku achigeza ndinoona sekuti
ndipo pane dambudziko renyu. Ukangoita
zvaunenge wafambira handione uchiita
chinguva uchigeza, manje ukada kuzoita
zviviri zvinobuda here. Sezuva iri Mamoyo
aiita kuvharira musha wose ne kuimba.
Akazosara kudzoka ini ndatofizuka kare.

Apedza kupfeka mbatya ndakaenda


kunooneka vana Muchembere ndokuenda
kuchipatara, munzira hapana ainge ari
kutaura nemumwe. Yaingove fungira
mumoyo. Waingonzwa kufema chete.
Tasvika pachipatara mukadzi wangu
akabva avhenekwa.

Ndakaita kunge ndichapembera mukoti


pa akataura kuti mukadzi wangu ainge
ave nepamuviri apo painge pave
nemavhiki maviri.
"Nurse mune chokwadi here? Are you
serious hee. Mati mukadzi wangu ane
nhumbu. She is pregnant here? Please
chekai futi ndofunga mushina wenyu
wauyisa wrong information"

"Mukoma mukadzi wenyu ane nhumbu


zvechokwadi."

"Izvozvo ndazvinzwa, asika chikumbiro


ndichochi. Vhenekai zvekare"

Mukoti akangodzungudza musoro wake


ndokubva avheneka zvekare.

"Mukoma ichokwadi kuti mudzimai wenyu


ane pamuviri"
Achipedza kutaura mashoko aya
ndakasimuka pachair yandainge
ndakagara ndokubva ndambundira
mudzimai wangu.

"Mamoyo Mwari akanaka chokwadi.


Mwari ngaarumbidzwe, nhasi Amai
vanonyara chete. Handi vaiti vanoda
muzukuru here?"

Mamoyo ainge angonditarisa, ini kana


kumbonyara. Kunyarei zvekare iye
Nyadenga ainge andikomborera
nezvandaichemera. Takazobuda
muchipatara ndokudzokera kumba.
Munzira mose ndaingotaura nemudzimai
wangu.

"Mamoyo huya ndikubereke, remember


une nhumbu kaah iwe. Munhu ane
nhumbu haafanirwe kufamba long
distance" Ndainge ndakutoita kunge
dzadhazuka. Mufaro ndiwo wainge uri
kukonzera zvose izvi. Mamoyo
akangoseka hake ndokuenderera mberi
ne kufamba. Ini ndaitove serious iye
ndofunga akangozvitora sejoke. Tasvika
kumba takazivisa Vamwene naMudhara.
Vamwene vakaratidza kuva nekufara
kukuru.

"Haa Mwari ngaarumbidzwe, saka manje


manje ndinenge ndatove ne muzukuru
kaah" Vakadero Muchembere
ndokutanga kuridza mhururu, ini handina
kuzomira pamba. Ndakadarikira
ndokuenda kumba kwaBhururu wangu.
Ndasvikako ndakanomuudza mashura
aya.

"Nhaiwe Mabasa, wakazoenda


kuChipinge kwacho here?"

"Ndaida kuenda asi ndakashaya mari. Dai


ndakaenda ndakatambisira mari yangu
mahara. Zvino mukadzi ikozvino ave
nenhumbu asi handina kwandakaenda"

"Zvakaoma, saka wave nesimba here


mubhedhurumu macho."
"Handina"

"Saka nhumbu yauya sei?"

"Ndokusaka kune munana bhururu.


Zvekuti simba hee ju ju hazvina basa
izvo. Kusangana kwenyu chete ndiyo
nhumbu"

"Rega ndiseke hangu. Mukadzi wako uya


akachenjeresa, rimwe zuva uchauya
kwandiri chete"

"Wave kureva chii kana uchidaro nhai


Deke"

"Bhasopu. Ini zii. Wandinzwa here.. Ndati


Bhasopu"

"Bhasopu kudii? Nxaa mukadzi wangu


haasi cheap cheap kana zvirizvo zvauri
kufungira. Wangu akadzikama,
handifunge kuti angasangana nemumwe
murume kunze kwangu. Ini ndini
ndingatomuchita pane kuti iye andichite.
Handimuone setype iyoyo. Uchiti
angadaro here?"

"Anotadza nei kudaro. Heya kana


zvakadero tinoti makorokoto. Chiramba
wakashinga pakunamata"

"Haa madoors atotanga kuvhurika


uchiona zvadai? Ndofunga muvengi
akazondisunungura"

Deke chaakakwanisa kuita panguva iyi


kuseka, ndiko kuzopindura achiti.

"Ko kuhope kanjani. Uchiri kurota uchadai


dai here nevakadzi vaye"

"Kuhope ndiko kwasara, ndikakunda


ikoko ndinenge ndasunguka, chirega
ndimhanyire kumba. Mukadzi kana ave
nenhumbu kudai anenge achingodawo
murume wake padivi"

Ndakamusiya ave kumona fodya yake,


Deke aive chidhakwa chiye
chekupedzisira. Mukadzi aimbove naye
asi akazosiiwa mushure mekuona kuti
munhu wacho haana direction. Mari yake
yaiperer kudoro hayo. Ndasvika kumba
ndakawana mudzimai wangu asipo,
hameno kwainge kwaendewa. Mudhara
zvekare vainge vasiri pamba. Pamusha
paingove naMuchembere chete.

"Ko uyu Mamoyo aenda kupiko"

"Aenda kugarden ava Baba vako ndivo


vaenda kumashops. Haa nhasi ndazofara
mwanangu. Kana mukadzi ave nenhumbu
zvinokudzwa"

Vakataura mashoko aya mushure


mekunge ndagarawo pachair yaive
pedyo, takatanga kuita nyaya dzamara
zuva radoka. Vaviri ava vainge vasina
kudzoka, Mamoyo akadzoka kumato7
achingopinda Mudhara haanawo kuita 10
minutes akabva apindawo. Ini handina
kumboita hanya nazvo. Tatove kuimba
yedu yekurara mukadzi wangu ndiye
aingoita kungondisema sema.
Kutomutaudza aisapindura.
Nechandainge ndamutadzira
ndakachishaya.

"Mamoyo, ukataura chandatadza


ndofunga ndingazivawo uye
kuchigadzirisa" Ndainge ndiri kutaura
ndega, iye akabva atotora phone yake
ndokubva abairira ma earphones,__
*End of chapter*
*TEZVARA NEMUROORA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 7
*MABHON'A*
Mabasa ndakaona kufara kwake kose,
chaasina hake kuziva ndechekuti nhumbu
yainge ari kufarira yainge iri yangu. Ko ini
ndaipedza masports kaah. Hongu
ndainge ndachembera asi pari panhau
dzebonde ndainge ndichiri kuzvinzwa.
Mishonga yandaimwa pamwe nekuzora
ndiyo imwe zvekare yaiita kuti ndisave
munhu wemanga manga.

Nemuroora wangu uyu taidanana zvisina


akamboona, dzimwe dzenguva ndaitorara
naye mebhedhuru make. Mwana wangu
mazuva aya aive asingabatike pamba,
kwaiswera neni wacho ndaisaziva.

Rimwe zuva ndainge nditori kuveza zvikei


zvangu ndokuona iye Mabasa achisvika
pandiri. Mwanakomana aive akaratidza
kusununguka pachiso chake.

"Maswera sei Baba"

"Ndaswera hangu Mwanangu, kwanga


kurisei kwawanga uri"

"Kwanga kuri kutsvene. Baba ndati


ndikuzivisei ndisati ndaita zvandafunga.
Zvinonzi tanga waoneka vedzinza uye
kuvaudzawo, zvinova izvo zvandafunga
kuita" Akataura Mashoko aya ndokubva
achonjomara, ini ndakambomira
zvandaiita ndokubva ndamutarisa kumeso
kwake. Ndakaona kuchenjeresa kwake
pamwe nehushingi uhwu hwandainge
ndisina kumboona pachiso chake.

"Taura tinzwe"

Ndakataura mashoko aya ndisingabwaire.

"Baba ndafunga kupfeka nguwo chena.


Ndafunga zvekupinda mapositori, ndati
ndikuzivisei"

Ndakaerekana ndasimuka pandainge


ndiri. Ndokubva ndabata muchiuno.
"Mabasa watii"

"Ndafunga kupfeka nguwo chena Baba.


Zvehupenyu hwangu zvinotoda kuti
ndigare ndiri pedo nemweya"

"Chii chacho chinoda kuti ugare uri pedo


nemweya. Mukadzi wako ave nenhumbu,
chii chimwe chauchada. Heya iwewe
kana wafunga izvozvo pachivanze
changu wobva hako zvee. Kwauchaenda
neni handizive" Ndainge ndakupupa
nehasha. Mabasa ainge akuda
kundiendera kumberi semhino. Panyika
ino hapana vanhu vandaitya sevemweya
ava. Ndaitya kufumurwa zvinova izvo
zvandaisada. Zvinhu zvangu ndaisada
nazvo. Iyeyu Mabasa hameno kuti ndiani
ainge amuvhura pfungwa, ndaimuziva
akadzungaira ari sasikamu chaiko.
Ikozvino kuchenjera kwake kune
chinodaro.

"Nhai Baba, handione pane chakaipa


pakunamata"

"Ini pamusha pangu handigare nevanhu


vemasowe.. Kana wafunga zvemasowe
wotorana nemukadzi wako monovaka
penyu. Zvamunoita ikoko hapana ano
kubvunza. Asi zvizive kuti ini newe
tinenge tisisina hukama. Ini
handidyidzane nevemasowe, tinenge
tacheka ukama Mabasa"
Ndaiziva hangu kuti ndikataura mashoko
aya wangu Mabasa hakuna kwaizoenda.
Aienda kupi iye aive shuro yemubhuku.
Ini ndini ndainge ndakatobata hupenyu
hwake, chekudya chaicho ndini ndaitoona
kuti adya here? Kana aizobva hake
aizobva asi kubva kwacho hunenge
hwatove rufu kwaari. Ndingatoona kuti
ndamuuraya asati andifumurisa.

"Maitikiro azvo zvinoita sekuti


murikundirambidza kunamata"

"Warambidzwa nani kunamata, hee. Saka


kuenda kumasowe ndiko kunamata here..
Hee Ishe kundiso. Chavanotsvira nezuva
ndechipi. Kana wada zve kunamata,
Roma, hwisiri dziriko. Wakasununguka
kuenda ikoko. Pane zvauchada kutaura
here. Wawana pano ndave kuda kutobva"

"Handina"

Ndakamusiya angobata muchiuno.


Ndakabva ndaenda kumishonga yangu
ndokubva ndaifuridza furudza, izvi
ndakazviitira kuti Mabasa abvise pfungwa
yake iyoyo.

Ndapedza izvi ndakasendera message


Mamoyo, ndichimuudza kuti ndainge
ndamusuwa. Chakandifadza iye
akandiudzawo kuti ainge atondisuwa.
Muroora ndainge ndatomufonyora brain
chaiko. Ndakaona phone yave kurira
ndokuona ari iye ainge ari kufona.

"Hello chihwitsimoyo" Ndakataurira pasi


ndichitarisa Mabasa uyo aive
chinhambwe, ainge achiri akangobata
muchiuno make

Ndakanzwa Mamoyo akuita kugegedzera,


ini ndakabva ndakata phone ndokupfeka
majombo ndakananga kugarden.
Ndakatoenda ndichiridzirira hangu
muridzo. Ndaigotadza nei ini ndaienda
kunodya painge pari kudya
mwanakomana wangu. Ndasvika kuya
takabva tangopinda mumabura ayo aive
akakura. Hawaimbofunga kuti mukati
mukaita munhu, ndapedza kurara
nemuroora wangu ndakabva
ndangopfeka mbatya dzangu.

"Mwana wenyu anotoda kugara


achisimbiswa"

"Ndizvozvo Muroora"

"Uyu Mabasa ndiye akutondishaisa


mufaro. Dai pasina iye ndichisangana
nemi pandadira"

Ndakatotadza kuziva kuti ndiye Mamoyo


wandaimboziva here? Chokwadi ainge
andichinjira. Zvaitaura neni wacho
zvainge zvave kutondivhiringidza.
Ndakazomusiya ari mu garden
ndokudzokera kumba, Mabasa
ndakamuwana agara mumadziro eimba
uku akangobata shaya. Handina
kumbotaura naye ndakangopfuriira.

*MABASA*
Hupenyu kusanganisa nekusanganisa.
Hongu mukadzi wangu ainge ave
nenhumbu asi ngoma ndiyo ndiyo. Pane
kuti andifarire ainge ave kutondisema, ne
chandainge ndakutadza ndakachishaya
ini. Nhumbu yaaichemera ndainge
ndakamupa uye kana vari Vamwene
vainge vasingachamupopoteri. Ndainge
ndakutotadza kuziva kuti zvinhu zvacho
zvaimbofamba sei? Zvakatoenda ne
pandainge ndisina kutarisira. Zvinhu
zvacho zvaitoda kunamitirwa chaiko.
Zvino Baba vangu vaitove umwewo
munhu. Ndofunga vaitofadzwa
nekushunguridzika kwangu.

Semunhu aisave nekwekuenda


ndaingotevedzera zvavainge vari kuda.
Ndikasaita sekudaro ndinenge ndagokera
moto muziso, zvekubva pa vabereki
vangu ndainge ndisingade. Ndaigobva
ndichienda kunogara kunani wangu.
Ndakaenda kunozivisa Deke uyo ainge
andipa pfungwa iyi. Ndakasvika
ndokumuudza zvainge zvataura Baba
vangu.

"Iwe Mabasa.Iwe Mabasa. Uchangwara


rini nhai? Watokura zvawadai. Hauchisiri
mwana mudiki wekuti akachema anonzi
chinyarara nhanha. Newe unazvo
chawanga uchaudzira mudhara wako chii,
chero akurambidza chingoenda. Unoda
kupona kaah iwe"

"Ehe kupona ndinoda asika Baba vangu


havasi kubvumirana neni."

"Zvekupenga izvo. Kana uchida


kuperekedzwa ndinokuperekedza
kumasowe kwacho."

"Kundiperekedzera chii? Neniwo wacho


handichade. Iwe kana uchida kuenda
enda. Iwe dzako nhamo wapedza here
zvaunotaura zvekuti ndinoda kupona.
Kana yakwana nguva ndichapona"

"Zvaunonzwisa tsitsi."

"Deke kana uchida kuti tirambe


tichiwirirana chinyarara zvako nyaya
yacho. Tingaite zvimwe pano"

"Asi chero ndiwewo Mabasa,


urikumbodzamisa pfungwa here? Kungoti
ini ndiri munhu anoonesa uye
anofungisisa, ipo kutorambidzwa kwako
pane chinodaro. Pane chakavanzika
chete. Ivo baba vako kaah"
"Baba vangu kudii kwavo" Ndakaerekana
ndamubata collar ye hembe yake. Munhu
ngaadzidze kutaura zvaanoziva kwete
kuda kungovhumuka, yes yaive shamwari
yangu asi panguva iyi zvakambobuda
mune dzangu pfungwa.

"Ngaipere nyaya yacho Mabasa" Mushure


mekunge ataura mashoko aya ndakaridza
tsamwa ndokubva ndangomuregedza.

"Uzive mashoko ekutaura


nepaanofanirwa kutaura" Ndataura
mashoko aya ndakamusiya
achingodzungudza musoro ndokubva
ndadzokera kumba kwedu___

*End Of Chapter*

Joe
*TEZVARA NEMUROORA*

STORY BY KULE C
0775937782
CHAPTER 8

*MAMOYO*
Ndainge ndiri kutopfeka mbatya dzangu
apo ndakaona Tezvara vachipinda. Baba
vaida zvinhu. Ko kuzoti dai vaiwana
murume wangu arimo vaita sei?

"Tezvara makuzviwanza"

"Kuzviwanza kwei? Mwana ari mudumbu


anoda kugara achisimbiswa uyo"

Vakataura mashoko aya vachibva


vatouya pandainge ndakamira.

"Manje ko tikabatwa naMabasa, pluz


Vamwene nhasi vari pano pamusha"
Ndainge ndiri kutaura ndega. Murume
mukuru ainge ave kutondibata bata, ini
handina kumbononokerawo kubatira
magetsi. Semunhu aiziva zvainge
zvafambirwa ndakaita steady hangu.
Pfungwa dzekuti taizobatwa dzakabva
dzatobuda mandiri. Chero taizobatwa
taizotangira ipapo tichienda kumberi.

"Mamoyo batira apa please" Vakadero


vachibva vangondibatisa pa edge
yemubhedha. Zuva iri ndakashanduwa
neni wacho zvandainge ndisina kutarisira.
Chokwadi Tezvara vaiziva basa uye
pekubata. Tapedza kurara tose Tezvara
vakangopfeka bhurugwa ravo
ndokundisiya ndatorara hangu. Ndaitadza
kurara ini ndainge ndapedzerwa kudai

Vachangobuda uyu Mabasa akabva


apindawo.

"Mamoyo chii changa chichiitika muno"

Akadero achitora hembe idzo dzainge


dzakangozara pasi. Neni wacho hameno
kuti chainge chandipa kukangamwa
kurongedza chii?
"Mamoyo ndikutaura newe"

"Nhaiwe Mabasa, iwe sekuona kwako


unoti chii chingaitika muno. Ini
handichanzwisisi hangu kuti urikuedza
kuti?"

"Ndikuona hembe dzakazara pasi kaaah


ndokusaka ndabvunza, pluz munhuwi
urikubuda nemuno hauna kunaka
zvachose. Ndofunga imhino dzangu"

Handina kumupindura. Mabasa ainge


akuda kuchenjeresa, ndiye ainge atove
problem. Ainge akutondishaisa mufaro.
Vamwene vainge vasisina kana nedhiri
rose, iyeyu Mabasa ndiye ainge akuda
kunditemesa musoro. Ndaitoshaya kuti
ndoita sei naye ini.

"Muka hako ugadzire mumba. Chokwadi


ungatorara hako mumba makaita junk
kudai"

"Ndisiye apa, iwe kana uchiona kuti muri


junk gadzira kaah nhai? Kuti mumba
macho ndemangu ndega here"

"Mamoyo uri kutaura nani"


"Sorry"

"Mazuvano urikundidherera ndikuzviona


hangu. I think inhumbu ikukudaro babie"
Akadero ave kusekenyeka.

"Rega ndirongedze hembe dzacho. Haa


dai mwana wacho akasaitawo
musikanzwa kk"

Mabasa akabva atanga kurongedza


mbatya, apedza izvi ndokunotora
mutsvairo ndokubva atsvaira. Ini ndainge
ndatorara nemanhede hangu ndakatarisa
Mabasa uyo aitsvaira mumba.
Apedza kutsvaira akazouyawo
pamubhedha ndokubva arara pedyo neni
uku achindipuruzvira puruzvira.
Ndaitonzwa kusemburwa naye.

"Babie unoziva ndiri kungonamata kuti dai


mwana wedu akaita mukomana.
Mukomana ndinozomuda hangu. Ende
unoziva chii. Ndinobva ndamutumidza zita
rekuti Tinotenda. Ndinenge ndiri kutenda
Mwari nechipo cheiyeyu mwana"

Ndakaerekana ndaseka, kutobvaruka


hangu.

"Urikutoseka futi. Ndirikutokuudza


mukadzi wangu"

Ndairega kuseka pakadai? Chero


ndimiwo munhu busy kutaura
nezvemwana asiri wake. Ndewake here
mwana wacho. Dai vaive tezvara vaitaura
mashoko aya ndaitopururudza.
Takazvitarisa mwana uyu anenge
achitova mun'ini'na waiye Mabasa.

"Hope iwewe ukuda kuti aite mukomana"


Akandibvunza mashoko aya ave
kupuruzvira dumbu rangu. Ini
ndakatoramba ndinyerere hangu.
"Mamoyo ndikutaura newe"

Ndakabva ndangoti.

"Iyeye mukomana waunoda ndiye


wandinoda"

Ndakabva ndatosimuka, ndaida kumusiya


achihumana ari ega.

"Ko wakuenda kupi mukadzi wangu. Huya


titaure tose, pluz mwana anoda
kusimbiswa uyo"

Ndi chinzwa izvi ndakatomhanyira


kupfeka mbatya dzangu. Ndaisada
kutambisirwa nguva yangu. Ndijungwe
jungwe zvangu. Sezvineiwo akabva
angondibata ndiri pakati pekupfeka
hembe achibva angondikanda
pamubhedha, ndakazozvidzora hangu
achibva arara neni kwacho. Akangoita
semazuva ose ju ju ju ndiye zii.
Zvandinoona zvinokunda ngoma kurira.
Kuti uti zvaive papi unotozvishaya,
ugoona kutokundwa nedhara. Tezvara ko
vanogona zvishoma here?

Ndakazomusiya arara ndokuenda panze,


phone yangu ndokutanga kurira
ndakatarisa munhu ainge arikufona
ndokuona ari Shamiso.

"Hesi dear" ndakataurira mashoko aya


pasi.
"Ndiri right, wave papi nhai Mamoyo.
Hope kuti wakabva pamusha paye"

"Mai Mwana ikozvino zvave kutsvobida.


Dai ndakabva nanhasi ndikadai ndiri
kuzvidemba, iwe ndiwe waida
kutondibhaizira madhiri"

"Yowee taura tinzwe"

"Marriage yangu yave mutserendende"

"Unondiudzei? Wakazoenda kuna'nga ye


kupiko. Zvichireva kuti Vamwene vako
ikozvino vave munhu ari right here? Asi
wave nepamuviri."

"Ehe ndave napo. Haa zviri kuendeka."


"Hoo aaah so arisei hake Mabasa"

Ndakatoridza tsamwa hangu.

"Ko zvaunenge waridza tsamwa wani"

Ndakatokata phone yacho mushure


mekupedza kutaura izvozvo. Zita
raMabasa raingondibhowa kunzwa. In
fact raitondinyangadza.

Ndapedza kutaura naShamiso ndakaenda


kukitchen ndaida kutotsvaga chekudya
hangu semunhu ainge arikunzwa nzara,
ndakatowana Vamwene vangu vari busy
kubika mazai,
"Muroora waswera here?"

Chembere iyoyi yaishuta mafirimu kwete


zvekunyepedzera.

"Ko ukagonyarara wani. Huya ugare


necheapa tiite zvedu nyaya. Hoo uchiri
wakanditsamwira. Aah unopenga chete.
Handi paye waive usati wave nenhumbu
here, eheka ikozvino wave nayo saka
nemhakayei uchichengeta chigumbu
chanekare"

"Handina kumbokutsamwirai ini."


"Ndaona wafutisa matama ndikati
wakanditsamwira kaah. Heya kusimba
handi. Haa iyo nhumbu yacho
irikukusimbisa, kuita kushepeka kose
kose. Bhasopu kutomhanyirwa
nezvidhara zvemuno zvinoda zvinhu.
Waisepi Tezvara vako. Avo ndikasaita
zvekutamba unowana vakavharirana
neimwe chembere. Manje takasangana
dzakakora. Kana kumbozvisvunirira
hangu. Haa asi munhu bhoo zvake.
Mazuvano ndipo paari kungoita
sedzadhazuka. Usiku pungww munhu
achingoridza ngonono, kutokangamwa
kuti ndine munhu padivi"

Unoseka ukanzwa mabayo. Vamwene


vangu vaitove imwe type. Murume
angatadza kuridza ngonono iye aipedzera
simba kwandiri here. Ndofunga gore
ravanozviziva vanozvisungirira. Gore iroro
ndinoonesa, ini chekutya hapana.
Wandingatotya ndiyeyu Mabasa,

"Chigara pasi ndikupakurire mazau aya,


uwoyu ndiwo wanga uri muriwo
wamanheru. Manheru acho tongozodya
hedu nerudhe. Chikuru iwe wadya
zvinovaka muviri. Ndokuti mwana
agobuda akagwinya"

Vakadero vachibva vatopakura mazai


acho, semunhu aitove nenzara
ndakatomabikira kasadza ndiko kuzodya
hangu.
Kwapera mavhiki angaita maviri, rimwe
zuva ndakanyepa hangu ndichiti ndaienda
kuchipatara, uku kwaida kungowana kuti
ndiwane kubva pamusha. Ndaida kuwana
nguva yekuoonana naTezvara sezvo
tainge tagarisa. Uyu Mabasa ainge ave
kuswera ari pamba. Paakati aida
kundiperekedza kuchipatara kwacho
ndakarambisisa dzamara iye asiyana
nazvo.

Ndichingobva pamusha ndakatora nzira


yekugomo iro raive chinhambwe,
ndasvika ikoko ndokubva ndafonera
Tezvara, sezvineiwo havana
kumbononoka kuuya. Takaswera tiri
mugomo muya tichidanana hedu. Zuva
parainge rave kunopinda muna amai
varo, takatanga kuburuka kuti tidzokere
kumba.

"Tezvara chitangai kusvika kumba ini


ndigotevera" Ndakadero vachibva vaita
sekudaro, vakabva vatanga kufamba ini
ndokuzosara ndopedzisa kuburuka gomo.
Mugomo umu maive nematombo uye
aitsvedza sezvo mvura yainge
ichangonaya, ndichinotsika pane rimwe
zidombo ndakabva ndatsvedza ndiye
zvambu ndokubva ndanorovera padombo
nedumbu. Ndakaiita kuridza mhere iyo
yakaita kuvharira gomo rose. Ndainge
ndarwadziwa, ndiri pakati pekushinyira
Tezvara vakabva vangosvika
vachimhanya.

"Waita sei Ma...aaah" Vakabva vamhanya


padombo pandainge ndiri, ini ndakabva
ndangotanga kuona rima ndiye zii
ndakadero.___

*End of Chapter*
https://www.facebook.com/100058838586
544/posts/355189703118980/ like my fb
page.
https://chat.whatsapp.com/HTemVYbUpv
Q1BTFLJPrOMa

*TEZVARA NEMUROORA*

STORY BY KULE C
0775937782
CHAPTER 9

*MABHON"A*

Ndaona kuti muroora ainge ati rabada


pamberi pangu ndakapindwa nechando.
Ndakabata musoro ndikanzwa
uchitenderera. Chekuita chaicho
ndakachishaya.

"Nhai Mwari" Ndakataura ndega mashoko


aya ndichienda painge akarara,
zvechokwadi baby wangu ainge akuvara,
ndaifanirwa kutoita action nekukurumidza.

Ropa ndiro raiita kuita kubuda non stop


hembe dzake dzainge dzazara ropa,
ndaive ndakungonamata kuti nhumbu
yake isave inobva.

Ndakapererwa nechekuita, ndakashaiwa


kuti ndotangira papi. Ndainge
ndangounjura maziso sechimudhenge,
ndakambofunga kufonera Mabasa
ndichimuudza nezvenyaya iyi asi
ndakazoona kuti ndinenge ndapisira.
Mibvunzo yacho ndaizotadza kuipindura.
Ndakaerekana ndatora phone yangu
ndoku dialler number dzemukadzi wangu.

"Hello Muchand..." Handina kupedza


kutaura ndainge ndagamiwa.

"Murikupi nhaimi. Hamuone kuti kunze


kwasviba here? Imi hamupo pamukova,
muroora haapo zvekare. Uyu muroora
haasati adzoka kuchipatara, mukati
haana chamuwana ikoko here? Isu kuno
kumba tatove stressed chaiko. Kana
ndiriseni bp yatoshuta. Kutaura kuno ini
naMabasa tamboenda kuchipatara
kunomutarisa tikanzwa kuti haana
kusvikako, zvino aenda kuchipatara
chekupiko. Taona kudaro tabva tauya
kumba tichiti tinowana adzoka, zvino
tangowana angori madziro chete".

Ndichinzwa izvi hana yakatanga kurova,


nechandainge ndafonera
ndakachishaiwa. Ndakatanga kzvituka
kasingaperi. Zvechokwadi ndainge ndaiita
dzungu chairo. Uku ndiko kunonzi
kuigochera pautsi kwandange ndaiita.

"Muri kupiko. Huyai kumba tibetserane


kutsvaga muroora"

Ndakabva ndazvidzikamisa ndokubva


ndati.
"Kutaura kuno hazvina kumira zvakanaka
Mai Mwana. Muroora ari kuno kugomo
uko akangoti rabada, ndatomuonawo apo
ndanga ndichitofamba mujinga megomo"

"Matii" Muchandiona akaratidza


kukanuka.

"Muroora ari ikoko kugomo. How nhai?


Adonha achiitei. Heee... Ko imi mamuona
ikoko sei?"

"Haisi nguva yekubvunza izvozvo Mai


Mwana. Chitosungai ngoro timhanye naye
kuchipatara" Ndakabva ndangovataurira
patainge tiri, ndiko kuzokata phone
yangu. Ndaitoziva hangu kuti mibvunzo
yaizondiwandira, semunhu mukuru
ndaizoona kuti ndapindura zvine udzamu.
Ndikaita zvehurekiresi yaizofa kwangu.
Uye muroora ndiye ainge ave
parumananzombe, ndiri mukati
mendangariro dzangu ndipo pandakaona
Mabasa naAmai vake vachisvika
nengoro.

"Waita sei. Mamoyo kani" Akadero


Mabasa achimhanyira paive pakarara
mukadzi wake.

"Warumwa nenyoka here? Please dont


leave me kani. Mwari help my wife.
Please" Panguva iyi ndainge ndangobata
muchiuno ndakatarisa Mabasa uyo ainge
ari kurotomoka uye kunzwisa tsitsi.
VaMuchandiona ndivo vaingoonekwa
kurwaira murima imomo, zvaive pachena
kuti vaida kutaura asi mashoko avo
aigumira pamuromo.

Ini naMabasa takabva tabatirana muroora


ndiko kuzomuisa mungoro ndokuenda
naye kuchipatara, tasvika kuchipatara
akabva atorwa nema nurse.

Takasara takagara pawaiting bench.


Mabasa ndiye ainge ari kungowiwidza.

"Mukadzi wangu kani"

"Iwe Mabasa ita semunhu mukuru mhani,


hindava uchiita semwana kudaro. Saka
unoti tese hatisi kurwadziwa here nhai?"
Ndakatoita zvehasha ndaona kuti ainge
ave kutoita ruzha, dai aiziva kuti ini
ndairwadziwa kudarika iye aivhara wake
muromo. Ndaigotadza nei kurwadziwa iye
Mamoyo wacho aive nepamuviri pangu.

Ndakaona Muchandiona ave


kudzungudza musoro ndokubva ati.

"Ini ndine mibvunzo yakawand..."

Vakanyarara mashoko aya mushure


mekunge nurse asvika patainge takagara,
Mabasa akabva asimuka ini
ndokusimukawo.
"Ava sei Mamoyo?" Ndakataurirana
mashoko aya nemwana wangu.

Nurse akabva atanga kudzungudza


musoro wake ndokuti.

"Parizvino amuka, asi ndine hurombo kuti


pamuviri paanga ainapo ndipo pabva"

"Matii" Ndakataurira padenga,


ndakatozozvidzora ndaona
vaMuchandiona vanditarisa.

"Pamuviri pake pabva. Hiii Jesus Christ"


Akadero Mabasa ndokutanga kuchema,
ini ndakangozvishingisa semunhu
mukuru. Takazotevera nurse uyu
tichienda mainge makaiswa Mamoyo uyo
takawana akaradzikwa pamubhedha.
Mabasa akaswedera pedyo paive
nemukadzi wake ndokutanga kuchema.

"Thanks God kuti wamuka, asi kutaura


kuno ndiri kurwadziwa mukadzi wangu.
Zvekurarama tichazvirega izvi. Haaa
zvairi zindakupa zindakutorera nhai?"

"Iwe Mabasa kana ukachema ini ndozoita


sei nhai? Zvinowanikwa muhupenyu
chinongodiwa kuzvitambira chete"

Mamoyo akadero achiratidza kurwadziwa


kwake. VaMuchandiona ndivo vainge
vangochiti kanha, vaive nemibvunzo
yakawanda izvo ndakaona pachiso
chavo, asika yaisave nguva yekubvunza
izvozvo. Sezvineiwo takazobuda
kuchipatara todzokera kumba. Muroora
ndiye watakasiya ari imomo.

Tiri munzira waingonzwa kufemereka


hapana ainge ari kutaura nemumwe,
tarara ndipo mukadzi wangu paakatanga
kundibvunzurudza.

"Ko imi kugomo manga muchitsvakei,


heya ndiko kwamaswera here?"

"Ndaswera mhiri uko."

"Mhiri kupi"

"Hezvoo asi yatove mhosva yekuti


handina kuswera pano here?"
"Itori mhosva, dai maswera pano zvose
izvi zvisina kuitika"

"Munenge makutodhunya, saka aizoona


muroora ndiani nhai? Pachinhambo
chekuti mutonditenda busy kutopopota.
Vakadzi ndinoshaya kuti makaita sei?
Munenge munotopererwa nekyfunga
ndinozviona hangu. Makaomerwa imi.
Pandanga ndiri kutobva kuseri kweGomo
uko ndaswera ndichimwa doro, ndave
mujinga ndipo pandanzwa mhere,
kunotarisa kudai wanike ndiMamoyo ari
kuchema, sekuona kwangu ndinoona
sekuti atsvedza akadonha, iye ndiye
achatiudza kuti zvafamba sei"
"Ini mhosva ndiri kuipa kuneMuroora.
Achandiona hake kuti ndinonzi
Muchandiona, munhu wepi anonyepa
zvakadaro. Pano abva achiti arikuenda
kuchipatara, izvo kwanga kuri kunyepa,
kugomo anga arikutsvagei zvekare.
Mukati anga asina mumwe murume here
ikoko. Imi kuzhangandira kwake mukati
hakuna chinodaro here, chokwadi
chichabuda hacho"

"Mumwe murume anobva kupi. Ndaseka


zvangu asi Muroora munomuona
semunhu angaita izvozvo here? Kungoti
ini ndinomuona semunhu akadzikama
hangu" Nemashoko ndakabva ndatanga
kunyepedzera kukosora, nyaya yacho
yaisapera mushe. Ndiko kuzobatirwa
nehope hangu.

Muroora akazoita mazuva maviri ari


muchipatara achibva azobudiswa,
zvaingove pachena kuti ainge ari
kurwadziwa, ini ndakatora phone yangu
ndokubva ndasenda iri message.. *Hie
baby. Usave unorwadziwa hako. Ndine
chivimbo chekuti unoita imwe nhumbu
zvekare. Vamwenr vakakubvunza
unongoonawo kuti wavanza dhiri redu
riya. Eish unoziva chii. Can't wait kuva
newe padhuze pangu. Ndagarisa dear,
ndiwe wega unondipasa manyemwe.*
Ndakabva ndangosenda, pasina chinguva
ndakaona yapindurwa, *iribho daddy.
Neni wacho ndakusuwai, dai pasina
Mabasa ari paside pangu matouya henyu,
uyu Mabasa ndiye atove trouble coser
chaiyo. Anyway I miss you. Handifunge
kuti ndingazowana mumwe akaita semi*
Apa zvaingove pachena kuti ndaidiwa
kwete zvejoke, Muroora ainge akutoshaya
interest kumwana wangu zvinova
zvandaida..Ndapedza kutaura nababy
wangu ndakaenda kunofuridza mushonga
yangu kuti Mabasa ave anova
nekusafungira uye kubvunza mibvunzo
yakawanda, avo VaMuchandiona
vaisatyisa, Mamoyo ndaizomira naye.
*End Of Chapter*
https://chat.whatsapp.com/C5emxI20ulG
Hcx0CnoMFby

*TEZVARA NEMUROORA*

STORY BY KULE C
0775937782
CHAPTER 10

*MAMOYO*
Kubva kwakaita nhumbu yangu hakuna
kumbondirwadza, chandaiziva ndechekuti
ndaizoita imwe mumazuva mashoma
aizotevera. Uyu Mabasa ndiye
wandakaona kuti akarwadziwa kusvika
pamongo. Bambo ava vaive murima
chaivo, aitofanirwa kurwadziwa
ndiTezvara kwete uyu Mabasa wekungoti
ju ju ndiye zii ndiye mangwana ndinenge
ndiripo. Iye aigorwadziwa pakai iyo
nhumbu yacho yaisave yake, dai aiziva
izvi aitoridza hake muridzo panekuita
stressed nezvinhu zvisiri zvake.

Ndakamuka mumba mandainge


ndakarara ndokuenda panze kuti
ndipindwe nemhepo. Ndipo pandakabva
ndasangana naVamwene vangu avo
vaidawo kutopinda muimba yangu
yekurara.

"Maswera sei Mhamha"

"Ndaswera hangu, aaah ndanga ndiri


kuda kutaura newe, zvandakuona kudai
zvatoringana. Ndine mubvunzo muroora,
kuchipatara zvinonzi hauna kusvika kaah
iww. Waive kupi chaizvo chaizvo.
Mubvunzo uyu ndingadai ndakakubvunza
karesa asi ndakaona kuti waive
mumarwadzo. Kugomo waive
wakutsvakei"

Vamwene vangu vakataura mashoko aya


vasiri kana kuseka,

"Wakandinyepera kaaah. Unoziva


ndaisaziva kuti uri munyepi here. Heya
pawakabva pano waisaenda kuchipatara
sekutaura kwako. Waienda kupi chaizvo
chaizvo, pindura kaah kwete kuramba
wakavhara muromo sechimumu"

Vamwene vangu kuda kuzivisa too much,


mibvunzo yacho kutondiwandira zvayo.
Ndakabva ndatanga kufamba kuenda
kukitchen, ndaida kutonozvidyira zvangu
chikafu.

"Ko uri kuenda kupi?" Handina kupindura,


ndasvika kukitchen ndakazvipakurira rice
nesupu ndokubva ndatanga kuzvidyira
hamgu.

"Iwe Mamoyo wave kundidherera handi?


Ndanga ndisiri kutaura newe here? Pluz
chikafu chaurikudya ndiwe wachibika
here" Vakadero vachitora ndiro yangu
ndokubva vanoivharira kusherufu.

"Ukada kundiitira dzungu ndinokurikita, ini


haundizive zvakanaka. Ndinoda
kutodzikamirwa zvangu. Kutaura kuno
ndine chigumbu. Ndinokugara musoro
ukashaya kuti zvabva nepi. Heee. Day
riya wakaswera kupi? Kugomo
kwawakazokuvarira waitsvagei"

Vamwene vangu vainge vachinja kumeso


kwavo, kana kumbovhunduka zvangu.
Ndaivhunduka chii isu tose taive varoora.
Murume aive wedu tose, chandaiziva
ndechrkuti vaisandirova havo. Vakamira
pai? Ayi ndezvekupenga izvo. Munhu
anodzoserwa kana tichirumana
tinorumana. Ndakatozozvidzikamisa
hangu semunhu aive mumarwadzo ake.

"Sorii Mhamha nekukunyeperai, day riya


handina kuzoenda kuchipatara,
ndakazoenda kujiri remashuku uko
ndakaswera ndichizvidyira zvangu.
Ndaingonzwa kuda mashuku"

"Heede" Vakatanga kuseka ndokuridza


tsamwa.

"Saka wakaswera uri mumuti yemishuku


here? Zvinosekesa, ukazodii paye"

"Zuva rave kunovira ndipo


pandakazoenda kugomo uko ndaida
kunotsvaga huni, ndave kutokwira
mugomo ndipo pandakazvambuka"
"Muroora ndiri munhu mukuru pandiri
pano. Ndiri munhu ano reasoner heya.
Ndichazvibata hangu maths
dzaurikuronga pano pamusha,
zvaunotaura hazvisi kana
kumbonzwisisika zvachose, zvino
nhumbu zvayakabva uchaita sei?
Wakanyengerana nechirume
chawakaswera nacho kuti bvisa pamuviri
kaah. Manje wakairasa, muzukuru ndiye
wandiri kutoda. Besides izvozvo pano
uchabva uchidzingirirwa."

Tezvara vakabva vapindawo Vamwene


vangu varipakati pekutaura,

"Muchandiona uchakura rini nhai? Heya


saka unoti zvataura Muroora ari kunyepa
here? Zvimwe nyarawo mhani. Iwe
wakazvitarisa unoona muroora ari munhu
akafumuka here zvekuti angaita
zvechihure, achihura nani imo muno
muraini"

"Varume vanopera here?"

"Havaperi asi muroora n"

"Kana murisemi nyararai zvenyu. Pose


pose munongoda kungokwana, chasara
kukupai dress nepitikoti nedhuku. Tobva
takutii Madzimai mabhona'.
Mukanyayarara ndofunga munotonzwa
mudumbu chaiwo" Ini ndainge ndave
kungosekenyeka.
"Handinganyarare kaaah imi muchifungira
munhu zvakaipa kudaro. Apa hamusi
kumbozviona kuti murikushungurudza
munhu ari mumarwadzo. Kana muchida
kunzwa zvizere sheedzai Mai Kirifodhi
mukadzi uya weziso rimwe chete,
zvataura Muroora ndizvo
zvaakandiudzawo. Iye akatoti
vakatoswera vari vose kumashuku uku"

Ndakashaya kuti Tezvara zvavaitaura


vaizviwana kupi.

"Aaah kana chiri chokwadi, ndinoti sorry


muroora. Asi ini ndinotenda ndaona Mai
Kirifodhi wacho. Sorry hako muroora.
Yowee inga nhumbu yako yaida chikafu
chakanyangara, munhu ari munzira
kuenda kuchipatara ndiye hoyo
kumashuku here? Zvimwe ndezvimwe ini
muzukuru ndinongomuda, owe nemurumr
wako moona kuti maitawo zvinoita. Eeeh
nhasi ndiro last day kana muchida kuti
muite mwana mugore rino, kutanga
mangwana tinenge ndave kutarisira
muzukuru mugore rinotevera"

Vakabva vangobubudza maoko avo


ndokubva vabuda, Tezvara vakabva
vangobudawo zvekare ndisina kutaura
navo, ko ndainge ndagarisa kaah nhai.
Haa Baba ava vaive vakanyanya, vainge
vandidzukunura muhondo yandainge
ndatarisana nayo.

Ndakazosara ndokudya rice ndiko


kuzobuda hangu mumba, ndatove panze
ndakanzwa phone yave kurira ndokuona
ari Tezvara

"Muroora huya kudura ndiko kwandiri"

"Aaah mudura"

"Ehe babie, utakure chigubhu chemvura


muno murikupisa, tingafenda chaiko"

Phone yakabva yakatwa, ini ndakatora


mvura iya ndokutarisa tarisa kuti hapana
ainge ari kundiona here? Avo Vamwene
ndakaona votora nzira ndofunga kwaive
kuenda kwaMai Kirifodhi, uyu Mabasa
ndiye aive aenda kumaricho ake.

Ndasvika kudura kuya ndakawana


Tezvara vatobvisa trouse yavo.

"Ndipe mvura mukadzi wangu"

"Aaah"

"Aah chii? Zvino hausi mukadzi wangu


here?? Kuramba kaah uku. Apa kana
kumbonditenda zvako kuti ndamirawo
newe"

"Zvino Mai Kirifodhi wacho akabvunziwa


achataura kuti manyepo kaah"
Ndakataura ndatove stressed.

"Izvo usazvityira. Mai Kirifodhi


ndatopedza naye uyo"

Mashoko aya akave anondivhundutsa.

"Kana muchiti mapedza navo


murikurevei? Asi munodanana navo.
Saka muri kundichita kaaah"

Ndainge ndatotsamww, truly speaking.

"Haa uchiti kune mumwe wandichada


here kunze kwako. Iwe nemuchandiona
ndimi mega asi iwe zvaikozvino ndiwe uri
patop. Iwe chingoziva kuti mai Kirifodhi
ndataurirana navo, chiita zvinoita ini
ndagarisa babie"

Vakadero vachibva vatanga kundikisa,


takabva tangotanga kukisana ndiko
kuzorara tose. Ndakashandiwa
zvandainge ndisina Kumbotarisira uye
kuitwa muhupenyu hwangu, Daddy day iri
vaive vakapika chaiko. Ndega ndakanzwa
kuti pano ndapedzerwa, chekusvora paive
pasina. Chero Mabasa dai aive pedyo
ndaigona kungomusvipira kumeso.
Mabasa aindipedzera nguva yangu.
Aitoda malessons chaiwo._____
*MABASA*
Chandakatadza ini nemudzimai wangu
chaive chikuru. Zvehupenyu zvakaoma
chokwadi. Zvariri zindakupa
zindakutorera. But for the why nhaimi.
Chero ndorwadziwa muhupenyu hwangu
handicharwadziwe zvekare, nhumbu
yemudzimai yangu yakandirwadza. Apa
unenge wakatonyora date pasi uchiti zuva
iri ndichanziwo baba nhingi. Pain yacho
hamuizive henyu.
Ndainge ndakugara ndakasuruvara
hangu, kana ari Mamoyo ndiye ainge
andichinjira kuita mumwe munhu. Kuita
kwake ndiko kwaindishamisa hake,
muimba yedu yemukati airara akapfeka
mbatya dzake, ndikada kumubata bata
aitoramba hake.

"Mukadzi wangu tinosvika kupi ukadai?


Mwana wacho tinomuwana kupi? Tarisa
hauchisina pamuviri kaaah iww.
Unofanirwa kuti uve nepamuviri zvekare,
zvimwe kuda mwana wacho iwe
hauchamuda zvako, asi chero
usingamude sandizvo zvingabva zvaita
kuti undinyime bonde kaah nhai?"
Ndakataurawo maonero angu kwaari
ndichiti aizondinzwisisawo.

"Tinomhanyira kupi sekunonaya nhai.


Mazuva mazhinji"

"Usadaro mukadzi wangu. Unoti mwana


angabvepi pakadai"

"Iye mwana wacho waunotaura ndiwe


uchamuzvara here? Ini ndini ndichasafa
leave me alone please, zvichiri zvemwana
here?"

"Zvasangana neyebonde, kana pane


chandakakutadzira ndiudze ndigare
ndaziva"
"Hauna chawakatadza"

"Zvino why uri kundidaro, chindipawo


ndingodongorerawo chete"

"Make sure uchadongorera chete"

Ndakabva ndaenda pamusoro pake,


ndisati ndambodii akabva atondiudza kuti
zvakwana ndiko kutotanga kutoridza hake
ngonono, zvimwe kubva kwwnhumbu
take ndiko kwaimukonzoresa zvose izvi.
Handifunge kan ainge achiri normal. Uyu
ainge akutodhunya chete. Ndakaerekana
ndaseka ndokuridza tsamwa hangu.
Ndaizoona kuti aizoramba achidaro
kusvika rini, muchiti aizodaro mazuva
ese here? Handione sekudaro________

*End Of Chapter*

https://chat.whatsapp.com/FaAWNb6xo2k
AthMgBERpWm

*TEZVARA NEMUROORA*
STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 11

*MABHONA'*
Muroora ndainge ndamufonyora brain
chaiko. Chokwadi ndaive ndisina
kumbozvitarisira kuti ndaizomupengesa
nenguva diki diki. Ainge atove pedyo
nekudhunyiswa nerudo, ini kana zviri
zverudo ndaiziva hangu zvandaiita.
Kubvira ndichiri mudiki vaisakana vaitoita
kundichemerera, wandinenge ndadanana
naye aisada kuzosiyana neni. Zvinhu
zvacho aitove makwikwi chaiwo.

Pandainge ndakagara kudare kwangu,


uko ndainge ndiri kugadzira mapadza
angu. Runhare rwangu rwakatanga kurira
ndokuona ari Mai Kirifodhi ainge
arikufona.

Ndakagadzirisa voice rangu ndokubva


ndadaira phone iya.
"Chii chanetsa, uri kudei zvekare?"
Ndakatotaura ndichiratidza kutobhoekana
hangu.

"Hii Mabhona' ungabva wadaro chokwadi,


asi wakangamwa kuti wakandipa basa
here?"

"So, ehe ndakakupa basa. Chii chanetsa"

"Yowee wakaomerwa hako. Anyway


mukadzi wako achangobva pano.
Ndamutaurira zviya zvamakandiudza"
Vakadero vachibva vatanga kukosora
zvandakanzwawo nepaphone. Ndakabva
ndangotanga kunyemwerera hangu ndiri
payphone paye.
"Maita basa Mai Kirifodhi. Muchine
zvimwe zvekutaura here?"

"Ehe handi ndini ndafona here nhai?


Ndikutoda kutaura nemi kusvika zuva
radoka chaiko" Ndainge ndakazviona
hangu kuti mukadzi uyu aida kutondiisa
pamuyedzo. Atotenda kuti pfungwa
dzangu mazuva aya ndainge ndakadziisa
panaMamoyo. Dai kari kare kwangu
taisvitsana kure. Ini zvemapudzi anowira
kusina hari ndiwo andinoda zvee.
Ndinoita kumatambira nemaoko maviri.

"Mandinzwa here vaMabhona'

"Ndakunzwai, ndati maita basa. Imwe


mari yenyu yakasara ndichauya
ndokupai"

"Muite muchikurumidza, hupfu hwave


kutopera vaMabhona"

Mataurirwo azvo kutoita sekuto demander


havo. Mai Kirifodhi vaitopenga chete.
Chaingondifadza vainge vaita
zvandainge ndavataurira. Ndainge
ndavataurira kuti vave vanoudza mukadzi
wangu manyepo hunge mekunge
vabvunziwa. Ndaitoziva hangu kuti
mushure ndaudza mukadzi wangu
aitozoenda kunaMai Kirifodhi kuti
anonzwisisa nyaya iyi zvinova izvo
zvakaitika.
Ndakazokata phone yangu
ndokuenderera mberi nekugadzira
mapadza angu uku ndichiridzirira
muridzo. Pfungwa dzaisave pamapadza
aya, dzainge dzitori kunaMamoyo uyo
ndainge ndiri kungofunga. Mumaziso
angu ndainge ndiri kungoona iye chete.

Ndakatanga kupisa nyemwerero iyo


yandisina kuziva kuti yakabva nepi. Ndiko
kuzotura mafemo.

Ndave kutopedzisa kugadzira badza


rekupedzisira ndipo pakabva pasvika
Muchandiona ndokubva vagarawo
pachituro chaive pedyo.

"Iwe Muchandiona munhukadzi anogara


pachituro here?"

"Anotadza nei? Ndisiyei zvangu. Saka


munoda kuti ndigare pasi here? Ipo pane
matombo ipapa. Ndibaiwe zvangu
magadziko angu ndichiti ndaita sei?"

"Kungotaurawo hangu, asi dai ari


muroora waita kudya marasha kutaura
kuno"

"Ndorega ndodini zvangu. Muroora


kaaah. Inga mangozvitaura wani. Kana
akabv nechituro kumba kwavo anogara
zvake. Imi baba mazuvano munenge
mave kutodhunya. Muchiri right iyemi.
Chino muroora, chino muroora. Akwana
papi isu tiri vaviri nhai? Zvakaoma
chokwadi. Chasara kutoti muroora
akanaka kundidarika. Ndaseka zvangu.
Haaa kwaMai Kirifodhi ndazoendako.
Zvandanga ndirikufungira sandizvo.
Mufunge ndaifunga kuti murikunyepa uye
kuti muroora ari kunyepa"

"Handi mazviona kaaah. Nguva inotevera


musamhanyira kungotaura zvisina basa.
Rimwe gore mucharipiswa chete"

"Kuripiswa nani?"

"Nemuroora kaah. Handi mainge mave


kutomupumha hee uri hure heee chino"
"Muchiti ndichazvipamidza here?
Ndakadzidza chidzidzo. Iyo shona yekuti
bata mbavha nerutsoka ndave kuona
kushanda kwayo. Chaunenge usina
kuona usave unochibvuma, asi handi
ndakamukumbira ruregerwro. Iye Muroora
aripiko nhasi, hoo aaah kutokangamwa
kuti makuseni andiudza kuti
achamboenda kumagirosa"

Ndakanyepedzera kunge pasina


chandaiziva hangu, asati aenda ikoko
aive atotanga nekuoneka inini.
Kuzotaurira Vamwene kwaive kwangove
kuzadzisawo hako. Chakandifadza
Mukadzi wangu ainge abvisa mufungo
wake uya wekuti muroora arikuita
zvechihure zvinova izvo zvandaida.
"Kana makunzwa nzara chikafu chirimo
mumba umo, ini ndichambobuda"

"Muchienda kupi?"

"Mumaraini imomu. Ndikuda kusvika


kuchimana uko. Kune munhu
wechikwereti wandiri kuda kunoona,
handifunge kuti ndichakurumidza
kudzoka"

"Iyaa"

"Ehe hangu, ndichadzoka nekumba


kwaMai Rudo ndichiona mwana wavo uya
wandakanzwa kuti ari kurwara. Vana
vakomana ava kuzvarira nhamo chaiyo.
Mukati haisi aids here yakamubata, imika
kuita kusara musoro chete. Iye
aizvinyanyawo. Nekuchembere here nhai
Mwari. Pano ju pano ju. Wave JoJo tank
here" Ndakasara ndoseka mukadzi
wangu atobva pandainge ndiri.

"Ko uyu Mabasa aripi?" Ndakasheedzera


kumudzimai wangu uyo aive ave
kutosvika kuimba yekubikira.

"Mabasa. Aaah handizive ini. Aah muchiti


angaenda kupi kunze kwekuenda
kumaricho ake"

"Hoo ndiko kwaaenda"


Ndakataura mashoko ndokubva ndatora
phone yangu, ndakwbva ndatosendera
Mamoyo ndichimuudza kuti achimbidze
kudzoka sezvo pamusha painge pasina
vanhu. Sezvineiwo haana kuzoita
chinguva ainge atodzoka pamusha.

Takabva tatorana ndokuenda tose


muimba yake yekurara.

"Tezvara, ini kutaura chokwadi Mabasa


ave kundishaisa mufaro" Akadaro
Mamoyo mushure mekunge
ndamugadzika pamakumbo pangu.

"Hanzii futi. Akuita sei? Akurova here?"

"Aiwa, ari kundishaisa nguva yekuti ndive


nemi. Ipapa handi tiri kungotya kuti
tinogona kubatikidzwa here nhai?"

Ndakabva ndatanga kuseka ndokubva


ndamupuruzvira kumazamu ake.

"Hahaha uchiti anokurumidza kudzoka


here, zvino zvoitwa zvekudinzwi" Muroora
akatanga atura mafemo ndokubva ati.

"Zvanga zvakadii kuti tibve


tangomuuraya, ini andishaisa mufaro
Daddy." Nemashoko aya ndakabva
ndamubvisa pamakumbo angu, ndokubva
ndasimuka pamubhedha uku ndabata
muchiuno. Ndakaona Mamoyo achiratidza
kuvhunduka..
"Ko chave chii zvekare,"

Handina kumupindura, hongu yaive


pfungwa yakanaka asi nerimwe divi yaive
yakaipa. Mabasa kuzomuuraya kwedu
ndiko kwaizove kuparara kwehupfumi
hwangu. Aifanirwa kufa nerufu kwete kuti
ini ndive ndinomuuraya, zvaisaita
zvachose. Paari ndipo paive nehupenyu
hwangu.

"Hazviite here?" Ainge anditarisa


mumaziso chaimo.

"Nyaya iyi tichaikurukura rimwe zuva


mukadzi wangu" Ndakabva
ndangomukisa kuti ndivhare vhare nyaya
iyi, sezvineiwo takabva tangotanga
kukisana ndokuzorara tose, tapedza
kurara tose takazoenda kunogeza tose
zvekare. Uyu Muroora ndiye
wandaingovhara vhara kuti pfungwa
yekuuraya murume wake ibude maari.
Yainge iri advantage ye disadvantage
chaiyo. Zvaizonakira iye zvichiomera inini
zvinova zvandaisada, ndaizoita shuro
yemubhuku chaiyo.
*MABASA*
Ndainge ndiri kutopfuura nemujinga
memusha waDeke apo ndakanzwa
achindisheedza, ndainge ndiri kutoenda
kumba kweimwewo chembere yemuraini
uko ndainge ndawana maricho. Uyu Deke
handina kuda kumupindura ndaisada
zvekutaura naye, akatoedza kuridza
muridzo asi handina kana kucheuka. Iye
aona izvi akabva andimhanyira.

"Mabasa unoreva kuti hausi kundinzwa


here?"

Ndakabva ndamira ndokuridza tsamwa


ndakamutarisa.

"Urikudei? Ini Deke siyana nehupenyu


hwangu. Kana uchida kuti tiende tose
kymasowe kangamwa hako. Uye
ukaramba uchindiudza izvozvo ndichaita
zvausati wakamboona"

"Aaah ndizvo zvandanga ndatokumisira.


Shamwari unoziva ndakurotera hope
here? Hope idzi dzandityisa hangu.
Hongu handisi muroti uye muratadzwi asi
ndinoona sechokwadi uye sekuti
zvinogona kungoitika. Mabasa edza
kundinzwisisawo zvanga zvakadini kuti
tiende kumaporofita. Please try to
understand"

"Deke. Deke. Deke. Ndati kudii? Ndati


siyana neni. Hope dzei dzaunotaura.
Handide kana kutombozvinzwa. Kana iri
nhau yemwana siyana nayo heya ndiyo
yawarota here kikiki kugutisa uko. Ini
ndave kuzvarisa"

"Hadzisidzo hope dzacho. Ndakurotera


wa..."

Ndakabva ndatotanga kuimba hangu


nziyo dzemidzimu, uyu Deke
ndakamusiya akangobata muchiuno
make. Hope dzei dzaiitaura, zviroto
zviroto ngazviperere kuhope. Type
yakaita sanaDeke heya inotorotawo.
Ndakabva ndangoseka hangu
ndokucheuka ndokuona Deke achiri
akangomira akandiyeva uku akarerekera
musoro wake.
Handina kumboita hanya naye,
ndakatoenderera mberi nerwendo
rwangu. Ndasvika pamusha wechembere
iya ndakabva ndangogadzira pekusukira
ndiro apo ndainge ndakataurirwa,
ndapedza kuita izvi ndipo pandakapiwa
mari yangu. Kumba ndakatozodzokera
zuva rave kutodoka chairo. Mukadzi
wangu ndasvika kumba ndakamuwana
achitomwa hake koko nemabhisvo ari
kuimba yedu yekurara.

"Ko zvauri kudya wazviwana kupi?"

Ndakatoita kunge ndiri kutaura ndega


hangu.
"Aaah wataura here? Ndatengerwa
neshamwari yangu pandasangana nayo
kumashops"

"Heya wazoenda kumashops, aaah ko


mapumps aya ndeani zvekare. Apa
anoratidza kuti manewone. Shamwari
yako ndiyo yakutengera here?"

"Interview inosara pasi, ehe ndiye


anditengera" Akadero achibva atanga
kudya mabhisvo, ini handina
kuzobvunzawo zvakawanda, semunhu
aivewo nenzara ndakabva ndangotorawo
mabhisvo aye ndokutangawo kudyw,
koko yacho ndaitoidawo asi yaive
yakutopedziswa. Ko ndainge
ndicharizivirepi drink racho. Ndofunga
musi wandauzorimwa ndaibukura
chaiko.____

*End Of Chapter*

, Hello mafanz angu, umm bundle ndiro


rakushungurudza pakaipa,
vakasununguka munongoisa pa# idzi
0781003960 Joseph Chimunhu.. Isai iri
ecocash vanenge vada kubetseraw
Ndatenda
https://chat.whatsapp.com/JnKalBwa5XgL
JAXBCGj55W
*TEZVARA NEMUROORA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 12

*MAMOYO*
Kutaura chokwadi Mabasa ainge ave
kutondishaisa rugare, ndaifanirwa
kutoona kuti afuga rake ega, ndainge
ndazvipira chero kumugadzika sanhu
ndaipikira hangu. Mufunge ndainge
ndakutotadza kuonana naTezvara kaah
ini uye Mabasa ainge ave nekamwe
kakungonetsa hake, hee bonde, hee unoti
mwana anobva kupi. Zvinova izvo
zvaindibhowa.

Ndainge ndangomirira kunzwa kuti


Tezvara vaizoti kudii sezvo ndainge
ndavapirawo nyaya iyi.

Semunhu aive neaikwenya Mabasa kufa


kwake handifunge kuti kwaizondirwadza,
anenge afa azorora hama dzangu.
Rimwe zuva ndakasendera Tezvara
message ndichivabvunza kuti vaive vave
papi nenhau iyi. Munhu kana kupindura
hake, zvimwe kuda vainge vasina kuiona
message yacho.

Pave paya ndipo pandakazoona


yapindurwa, ndakaita kufara ndisati
ndaiverenga. Ndaitoziva hangu kuti mu
message umu maive nemashoko
aizondinakidza kunzwa.

Message iyi yaive nemashoko anotevera,

*Waswera here Sweetie, message yako


ndaiona, Muchandiona anga aripadhuze
ndokusaka waona ndisina kukurumidza
kupindura. Kana zvichigona ngatisangane
kugomo iyezvino. Ndiko kwanditori.*

Ndichipedza kuverenga message yainge


yabva kunaTezvara, ndakapfeka
mapumps angu ndokubva ndaenda
kugomo. Handina kumboshushikana kuti
ndibve pachivanze sezvo Vamwene vaive
vakatorara havo muimba yekubikira, uyu
Mabasa semazuva ese ainge asipo
pamusha

Ndasvika kugomo ndakawana Tezvara


vakagara padombo uku vakabata havo
shaya dzavo, hameno zvainge zviri
kufungwa. Sekuona kwangu bambo ava
pfungwa dzavo dzaive kure uye pane
zvainge zviri kuvadya Moyo.

"Hope handina kunonoka" Ndakadero


ndosekerera ndokubva ndatanga
kuvapuruzvira kumusana kwavo
ndakamira hangu.

Tezvara pane kuti vataure vakaramba


vakati mwiro, ini kuti nditangewo nyaya
yangu ndakashaya kuti ndotangira papi
pacho, pave paya ndipo pandakanzwa
vachiti.

"Saka watosimbirira neyekuti tiuraye


Mabasa here babie" Panguva iyi
vakatanga kunyemwerera, ini zvino moyo
wakabva wati mbembe kufara. Ndakabva
ndatanga kuzhinya, matauriro avainge
vaita ndiwo ainge atonditekenyedza uye
kutondiisawo kune imwe nzvimbo. Kana
ari saMabasa ndofunga ainge
akagumisira kundisheedza kuti Babie
asati andiroora, zvehupenyu zvakaoma
hazvo.

"Saka watosimbirira neyekuti tiuraye


Mabasa here babie" Panguva iyi
vakatanga kunyemwerera, ini zvino moyo
wakabva wati mbembe kufara. Ndakabva
ndatanga kuzhinya, matauriro avainge
vaita ndiwo ainge atonditekenyedza uye
kutondiisawo kune imwe nzvimbo. Kana
ari saMabasa ndofunga ainge
akagumisira kundisheedza kuti Babie
asati andiroora, zvehupenyu zvakaoma
hazvo.

"Ehe daddy, imi hamusi kuona kuti


arikuvhiringidza kudanana kwedu here?"

"Ari kuvhiringidza pakai? Inga tiri


kungoonana wani uye tichingodanana"

"Asi tinenge tiine kutya kaah. Ipapa ini


ndirikutotya kuti akave anotibata tinoita
sei? Ndiri kutyira hupenyu hwenyu Daddy.
Munogadzikwa sanhu masikati machena
akazviziva kuti murikudanana naye,"

Tezvara vakabva vachinja kumeso


ndokurova ma serious, vapedza izvi
ndokubva varidza tsamwa.

"Kana zvakadero ngaafe zvake. Asi inzwa


kaah. Izvi tichazviita mushure mekunge
ndabva kuchipinge. Mangwana
ndichaenda kuchipinge"

"KuChipinge"

"Ehe kuchipinge babie, kune basa ririko.


Kana ndadzoka ikoko ndichakuudza kuti
tozvifambisa sei?"

"Zvino modzoka rini?"

Ndainge ndatove worried, ndaisada


kugara ndisina Tezvara pedyo neni,
kutouraya Mabasa ndaizviitira kuti ndigare
pedyo naTezvara, avo Vamwene
ndaisave neproblem nazvo. Chero
vaizozviziva taigona kungogara pabarika.
Zvebarika hazvina kutanga nhasi izvi,
zvagara zviriko.

"Ndinofunga kuti ndichanoita mazuva


matatu kana maviri ndiriko hangu.
Zvinobva nekuti basa racho
ndichanowana rakawanda sei?"
Vakataura mashoko aya vachibva
vandigarisa pamakumbo.

"Ibasa rei iroro"

Ndakaona vave kuseka, ndokubva


vambokosora kosora havo. Zvose izvi
zvaingove mumaziso angu.

"Babie wakangamwa here kuti ini ndinoita


zvekugadzira mapadza, kuChipinge kune
munhu andisheedza uyo arikuda kuti
ndimugadzirire mapadza ake ikoko."

"Hoo manje ndichakusuwai ini. Hazvigone


here kuti tiende tose nhai?"

"Hazviite babie. Dont worry ndichazoenda


newe next time. Zvandatotanga kuendako
obvious ndichazogara ndiriko. Murungu
uyu akafadzwa nebasa rangu ndinoona
azonditsvagira macustomer ikoko.
Wosara bhoo handi"

"Asi makuda kutoenda now, aah saka


munoda kundisiya ndega muno mugomo"
Ndainge ndave kutoyema hangu. Tezvara
vakabva vangondizevera.

"Ndati mangwana wani. Kk unoda


kutsunyiwa kunogara handi. Wanga
wakaisepi nzeve. Usandiudza kuti
urikufunga Mabasa"

"Haiwawo ndisiyei zvangu, handifunge


munhu asina basa ndichisiya ane basa
ini. Handipengi zvekudaro. Regai
ndimirire kudzoka kwenyu tione kuti
tadzifambira nyaya dzacho."

Chaingondifadza Tezvara vainge


vazonzwa nyaya yangu, ndaive netarisiro
yekuti vadzoka kuChipinge ikoko uyu
Mabasa taizomupfuudza.

Takazoswera tiri mugomo umu, zuva rave


kunodoka ndipo pandakaenda nekuhuni
naTezvara vangu, ndivo vainge vari
kutondibetsera kutsvaga havo.
Ndakatsvaga huni dzainge dzakawanda
kwazvo, ini ndokuzotungamira kumba,
zvaisaita kuti tisvikirane panguva imwe
chete.

Ava Tezvara ndakazovasiya varimo


mugomo. Hameno kuti vaida kusara
vachiita nezvei? Ndinoona vaida
kuzvibetsera havo.

Ndasvika kumba Vamwene vangu vakaita


kupururudza vachiona svinga rehuni iro
ndainge ndakasenga.

"Muroora ndinotenda. Ndiwe here


watsvaga huni idzi."

"Ehe Mhamha, nhasi ndaswera ndiri


kuhuni hangu."

"Hoo nhai. Ndanga ndatoshaya kuti nhasi


waswera kupiko."

"Kk ndaswera kuhuni hangu. Ndaona kuti


pano pamusha pangosara huni nhatu. Ko
asi muri mega pano pamukova."

"Watogona muroora" Vakabva vatotora


huni dziya ndokuenda nadzo mumba, ini
ndakabva ndavateverawo.

"Gara zviya wambondibvunza, ehe ndiri


ndega muroora. Uyu Mabasa haasati
adzoka, ava Tezvara hameno
kwavaswera, zvimwe kuda vaenda
kudoro kuseri kwegomo. Handi zuva riye
ravakunhonga vaibva kudoro here?
Wakangakangamwa here, Asi zvimwe
ndezvimwe murume mukuru anotevedza
ndari semwana mudiki here? Zvine
chirevo izvi. Muroora ukati iko kundari
hakuna mumwe mukadzi. Zvinogona
kungodaro. Tezvara vanogona
kungonyenga zcichembere zvinobika doro
iri kuti varipihwe mahara, rimwe zuva
ndichavatevera hangu."
"Aaah kutevera iko kudoro here?"

"Ehe, ndinotosvikawo ndogara padivi


pavo ndotanga kumwawo hari yangu.
Ndinenge ndichingoda kuti zvichembere
izvi zvizive kuti munhu uyu ane mukadzi
kumba.. Aaah zvakaoma muroora, zvine
chinodaro. Imo muimba yemukati.
Kungorara munhu achirudza ngonono, iro
doro rwcho rinoita kuti munhu ararise
vamwe nenzara, ehe ndachembera asi
ndinodawo kugara ndichidya kaah.
Ndingapa hangu mhosva doro sekunonzi
vatanga kurimwa nhasi, makore apfuura
zvaingotsvobida vachimwa doro racho
wani. Zvino ikozvino chiiko." Vachipedza
kutaura muromo uyu Tezvara vakabva
vangopindawo, Vamwene vangu vachibva
vavhara wavo muromo. Ndainge ndave
kutovanyarirw, murume ainge
avabatikidza vachirasha muromo, chiona
iko kunyara kwavainge vave kuita, chero
iye abatikidzwa achiitira tsvina musango
aisara pasi.

"Asi manga muchinditaura nemuroora.


Nemhakayei kubva manyarara nyaya
dzenyu pandapinda" Mabhona' akataura
izvi achibva agara pabench.

"Tichikutarai kuti munotaurika here?


Bvunzai muroora uyu kuti tanga tiri
kutaura nedzei. Nhai muroora tanga tiri
kutaura Tezvara here isu. Baba ava
vanongofunga kutaurwa, ehe ini ndini
ndanga ndichikutaurai. Ndanga ndichiti
mangwana tioenda tose kundari"
Vakabva vatanga kusekenyeka, Tezvara
vakabva vangodududzira chigubhu
chedoro icho chandisina kuziva
kwavainge vachiwana. Kugomo
kwatainge taswera tose ndainge ndisina
kuvaona vaine doro. Zvichireva kuti
pandavasiya vazoenda havo
nekuhwahwa. Baba ivava
vakachangamuka havo.

"Munoda kuenda neni kundari"

"Ehe hangu" Vamwene vakabva vatanga


kuseka.
"Aaah manje ini handichatomwe doro
racho."

"Muchiregera chii? Eeh muroora handi


ndambokuudza here? Hona vave
kuzvifumura. Kutamba zvangu baba
vemusha"

Ndakazobuda mumba umu ndokuvasiya


vave kutaurirana, ndakanzwa Tezvara
vave kutaurawo zvekuenda kuChipinge,
uyu Mabasa adzokawo akabva
angotaurirwa izvozvo.

Patainge tave muimba yemukati zuva iri


Mabasa handina kumuratidza kuti ndaida
kumuuraya, in fact ndakatomuitira
zvandainge ndisichangachiziv kumuitira.
Ndaingoda kuti asapindwe nemweya
wekundifungira, day iri ndakamupa bonde
ndokungoita ju ju ju yake, handina
kumbomutsamwira. Ndakatomutenda
hangu. Achiona izvi ndakaona kufara
kwake kose. Zvinotonzwisa tsitsi kusaziva
kufa chaiko. Ini nechemumoyo ndaingoti
mazuva anotevera uchandionera
kudenga.._______

*End Of Chapter*
https://www.facebook.com/100058838586
544/posts/355189703118980/ like my fb
page kule c novels

https://chat.whatsapp.com/JnKalBwa5XgL
JAXBCGj55W

*TEZVARA NEMUROORA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 13

*MABASA*
Chinhu chinonzi rudo pasi rino ndicho
chinoshungurudza, chinotoda
vakashingisa hana chaiko. Pamwe pacho
unodiwa, pamwe pacho unorambiwa.
Pamwe pacho unorwadziswa, pamwe
pacho unofara. Zverudo vamwe
vachazvirega chete. Ndikutaura izvi from
expreince sezvo ndainge ndakabva neko.
Asika mazuva aya ndaive ndave munhu
anofara, rudo rwandaipiwa nemukadzi
wangu ndirwo rwaindifadza. Mukadzi
wangu ainge ave munhu bhoo. Kana muri
muimba yemukati ndaiita zvandinoda
naye zvichienzaniswa nemazuva ainge
apfuura ayo.

Kugeza zvekare tainge takunogeza tose


izvo zvatainge tisina kumboita
muhupenyu rwedu, waimunzwa mukadzi
wangu achiti. "Daddy handei tinogeza, ini
ndinotoda kugeza nemi muri paside
pangu" Ndichinzwa izvi ndaibva ndave
munhu anofara, zvaingove pachena
mukadzi wangu aindida mhani. Neniwo
ndaimudawo chekuti pano. Kungodiwa
nemunhu waunoda kunongonakidza
hama dzangu, hameno kudzimba dzenyu
kuti vamuri kuda vari kukudaiwo here
sezvandiri kuitwa newangu Mamoyo.
Tichigeza kudaro taiita zvinorova, zvisati
zvamboonekwa pasi pano perima. Kuti
nditi taigeza ndinganyepa, mvura yedu
yaingoperera mukudirana tichitambisa
hedu mvura nemudiwa wangu uyu.

Chokwadi zvinhu zvinongochinja


sekutamba sekuseka, asika
ndakambozvireva hangu kuti kubva
kwenhumbu ndiko kwaive
kwakamboshungurudza mukadzi wangu.
Mukati zvaive zvega here zvaiita zvacho.
Zvino kana zvaive zvega ikozvino chii
chainge chachinja.
Ndainge ndakatoita kufa nehope apa
ndakanzwa mukadzi wangu ave
kundimutsa, ndakabva ndangomuka
ndokubva ndashama na'i.

"Mamuka sei Daddy"

"Ndamuka hangu Mukadzi wangu.


Warara seiwo iwe"

"Ini ndarara mushe, heya nhasi


hamuende kumushando here?"

"Aaah ndanga ndatokangamwa, watoita


basa wandimutsa hako."

"Muchitendeiko. Kana muchienda mvura


yekugeza ndaitoisa kuchigezero uko"

Akataura mashoko aya ndokutanga


kusekerera, ndainge ndisina kumbozviita
zvekumuka ndichigeza, uye Mamoyo
ainge asina kumbondiitira izvi. Chainge
chave chirungu ichi. Ndakamusiya ave
kugadzira pamubhedha ndokubva
ndanozvigeza hangu.

Ndapedza kugeza Mamoyo


ndakamuwana anditsvagira mbatya
dzekuti ndipfeke.

Ndakabva ndangopfeka hembe idzo


ainge aisa pamubhedha, bhutsu ndiye
akazondipfekedza hake.
"Chiregai ndikuperekedzei Baba
veMusha"

Ndakashaya kuti ndotaura ndichiti kudii?


Izvi zvaifadza, zvaingovengwa nemuroi
chete. Nhaka vavengi vangu vairidza
minhikwi vakanzwa mudumbu.

Mukadzi wangu ndiye akazondibudisa


pachivanze, ndokundiperekedza kubasa,
tiri munzira ndipo patakabva tasangana
naDeke, ini handina kumboda kutaura
naye. Ndakaona kuti murume uyu aive
nenyaya asi ini ndakangomupa ziso rekuti
dzikama.

Iye haanawo chaakazotaura,


takangokwazisana ndokubva adzungudza
musoro wake achienda kwaiendawo, ini
nemukadzi wangu takabva tapfuurira
mberi.

"Tezvara vakambofona here?"

Akabvunza mukadzi wangu,

"I mean vakambofona here vachitaura


kuti vasvika mune zvakanaka here?"

Akaenderera mberi nekutaura.

"Ndakanzwa vachitaura naMuchembere


nezuro vachiti vafamba mune zvakanaka.
Haa vakafamba zvakanaka,
tinongonamata kuti vave vanodzoka
mune zvakanaka, uye kwavari ikoko
vachengetwe nenyasha"

"Ndizvozvo chaizvo, ini chindiregai


ndidzokere kumba. Ndinr basa
rakawanda kwazvo muzuva ranhasi"

"Basa ripi zvekare"

"Ndirikuda kunotsvaira chivanze,


nekusuka ndiro. Ndapedza ndichawacha
hembe"

"Yoweee, rakawandisa chokwadi. Uchiti


ukarega kutsvaira zvine basa here?
Chivanze ndaona sekuti hachina tsvina
icho. Idzo ndiro Muchembere vanogona
kuzosukawo."
"Gegege ndaseka zvangu, ivo ndivo
vanenge vatove Muroora kaaah nhai?"

"Aah manje ungasafa nebasa here


mukadzi wangu. Ukafa ndinosara nani.
Uri munhu wenyama iwe, haufanirwe
kushandisa, chero iye ari muhutapwa
angasara pasi. Plus uchangobva nhumbu,
uchiri mumarwadzo. Izvozvi ukasvika
ukamborara hako. Chero ukwzomuka
mushana wabuda bholato zvekare"

Ndakataura ndatarisa mukadzi wangu


kumeso kwake.

"Heya, monoshandawo zvakanaka"


Akadero achibva andimbundira, ndiko
kuzosiyana ini ndoenda kumushando
wangu. Uyu Mukadzi wangu akabva
adzokera kumba.

Ndakasvika kumba kweimwe chembere


uko ndaiforoma zvitinha, ndakaswera
zuva rose ndakasununguka uye
ndakashanda zvakanaka, handina
kumborwadziwa nekuforoma zvitinha
kunyangwe ndaive ndega hangu, ini
ndaisada kushanda nemumwe munhu.
Ndaiitira kuti kana ndopiwa mari yangu
ndive ndinova ndisina wandinogovana
naye, hongu mazuva aigona
kuzondiwandira pabasa iroro uye
kuremerwa nebasa rwcho. Asika
kuwanda kwamazuva ndiko kuwandawo
kwemari yako munhu.
Ave masikati chembere iya yakauya
kuzondisheedza kuti ndizodya chikafu,
ndakabva ndagadzirirwa orange crush
pamberi pangu pamwe chete nerice,
pandainge ndakudira drink riye water
glass randainge ndakabata rakabva
rangodonha ndokubva ratsemuka.

Zvinhu zvacho aitove maone, ndakanyara


handidi kunyepa.

"Rureregerero Ambuya"

"Zvinowanikwa Muzukuru, asika ukati


hazvina chirevo here izvi. Isu tinoziva kuti
zvadai pane chikuru chinenge chiri kuda
kuitika muzukuru"

"Zvakaita sechii nhai?"

"Ini ndinoziva kuti zvinoshura chete.


Panogona kuitika rufu uye kuita munhu
anorwara"

Ndakabva ndangoseka hangu ndokubva


ndati.

"Aaah izvozvo muchiti ichokwadi here?


Zvakwngofanana nekuti hanzi ukagara
munzira unoita mamota, ingori chenjedzo
chete yekyti unogona kutsikwa
nemotikari."
"Koiyoyi ichenjedzo shoma here? Anyway
rega ndinokutorerera imwe kapu"

Ini ndainge ndave kungonyara nyara,


chero chikafu chacho handina kuzodya
mune zvakanaka, ndainge ndaputsa
water glass yevanhu, handitozivewo kuti
chii chakatoitika chaiko.

Imwe kapu yakazouya ndiko kuzodya


chikafu changu, ndapedza kudya
ndakazodzokera kumushando wangu.

Zuva rave kunodoka ndakapinda munzira


yekumba, mangwana acho ndaizodzoka
ndopedzisa basa rangu iro rainge ndisina
kuzokwanisa kupedza zuva iri.
Ndasvika kumba Mukadzi wangu
ndakamuwana akandiisira mvura
yekugeza, chikafu chemanheru
ndakatozochidya mushure mekunge
ndageza, zvekuti dai ndaiswera pamba
ndaigona kungoisirwa mvura masikati
machena zvikanzi gezai Daddy.

Mukadzi wangu zuva iri akakurumidza


kuenda kunorara, ini ndakambosara
ndichikurukura naAmai vangu ndiko
kuzoendawo kunorara.

Pandakapinda muimba yekurara Mamoyo


ndakamuwana achitaura paphone, uye
paakandiona akaratidza kuvhunduka
ndokubva angobvisa phone yake
panzeve.

"Ndiani ko wawanga uri kutaura naye?"

"Ndi Mhamha vangu"

"Saka wakatirei nhai?" Ndaida kunzwisisa


kaah.

"Hezvo kwakanaka here nhai Mabasa,


ooh tora phone yacho uone kuti ndiani
wandanga ndiri kutaura naye, saka unoti
ndiri kunyepa here? Murume wangu
ndinozviona hangu kuti
hautombondivimbe zvachose" Akadero
asiri kana kukama, phone yake handina
kuda kumboitora iyo yaida kunditambidza,
ndakabva ndatogarawo paside pake
ndokubva ndapotesa ruoko rwangu
musana wake.

"Watotsamwa here babie, hakusi kuti


handikuvimbe. Asi kungoti ndinotya
kukutorerwa babie. Kana wanga uri
kutaura naMhamha vako hapana
chakaipa babie. Sorry handi?"

"Zvinobhowa hazvo, anyway nyaya yacho


ngaipere. Ipapa ndakata nokuti nyaya
dzacho dzimwe hadzizode urimo. Dzanga
dziri nyaya dzevakadzi"

"Aah manga muchingotaura ndirimo,


vanga vachizoziva sei kuti ndinewe"

"Vatotanga vabvunza kuti ari pedyo here?


Munoti kuvhura kwamaita mukova
hakunzwikwe nemunhu ari paphone here"
Akadero achibva adzima phone yake,
apedza kuita izvi akabva angobvisa
mbatya dzake dzose mdokuuya pandaive
ndiri. Zvakazoitika mushure meizvi
zvinokunda ngoma kurira._____

*End Of Chapter*
Munyori bundle ndiro riri
kumushungurudza, chapter 14 hameno
kuti ichauyawo rini. Vakasununguka send
pa# 0781003960 Joseph Chimunhu
ecocash
https://chat.whatsapp.com/Hrurz7iJXs8C
GwNp5snAB8

*This is a work of fiction, all characters


and events portrayed in this book are
fictitious. Not based on a true story. This
is an author 's imagination*
*TEZVARA NEMUROORA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 14

*MABHONA'*

"Nyaya yako iri munzeve muzukuru. Hei


kani. Hei kani. Mwana wako wauri kuda
kutouraya iyeye uraya zvako muzukuru.
Ukasamuuraya ndazoona azokuuraya
ariye. Kumagumo azvo ndiye achakuisa
sanhu. Kuri kuenda nyaya ndaona
zvapidiguka" Yakadero Chembere uku
ichiita kuyerera masiririri. Hana yangu
yakatanga kuchirova zvino. Chero iyo
ngoma yekugamadziro yaisara pasi.
Chokwadi vakafa havana chavakaona.
Mashoko eNanga yangu akandipinda
kutya uye kundivhundutsa.

"Zvino ndikamuuraya sandiko kufumuka


kwezvinhu zvangu here?"

Ndakabvunza ndichida kuziva.

Na'nga yakatanga yadzungudza musoro


wayo ndokubva yaridza tsamwa iyo
yakaita maungira, yapedza izvi ndiko
kuzoti hetsu hetsu, kumeso kwayo
kwainge kwashanduka. Ini nekutya
ndakasimuka pandainge ndigere
ndokunogarira nechekumukova.

"Mabhona uri kuda hupenyu here? Ndati


uri kuda hupenyu here? Tarisa zviri kuita
mvura iri muhari umo"
Ndakadonodongerera mvura iya
ndokuona ichiita kufazha, asi yaisave
kana pamoto zvayo.

"Wazviona kaah. Zvinhu zviya zvave


pedyo kufumuka. Mwanakomana wako
mazuva anotevera achavhurika.
Wakatangirwa. Wakatononoka kuuya
kuno. Kuona kwangu pane arikuda
kutobudisa Mukomana uyu murima iri.
Uye pane ari kutofunga kudzifambira
nyaya dzacho. Kuti ndimumise simba
racho ndirikurishaiwa. Munhe iyeye zviri
paari zvihombe. Zvino tikauraya
Mabhona' zvinobva zvazorora. Ndianiko
akakupa pfungwa iyoyo. Munhu iyeye
anokuda. Zvechokwadi hupenyu hwako.
hwanga hwave kumagumo" Ndainge
ndave kungohutisa muviri wangu, kutya
nekuvhunduka zvainge zvasangana.
Mazino ndakanzwa kuzununguka
mumuromo. Zvekuti ndaive murume
akashinga zvaive zviroto. Zviya unenge
usati wasangana nezvinotyisa kana
uchizviudza kuti ini ndiri mukono.
Munguva iyi chakasara kuzviitira tsvina.
Ndiani ko iyeye aida kubvisa Mabasa
murima? Mubvunzo uyu ndakatadza
kuipindura. Zvechokwadi Mabasa wacho
ngaafe zvake.

"Iwe unoreva kuti hauna umwe weropa


here? Tinogona kungosundira ikoko"
Yakadero Chembere iya ndokutanga kuita
seinogwesha, ini handina kana hama
imwe chete yekwababa yandaiziva. Amai
vangu vainge vakatoitwa zvekumitiswa,
uye akavapa pamuviri havana kumuziva.
Vachiri vapenyu ndiwo mashoko avainge
vakanditaurira. Ini ndakakura ndichirerwa
naAmai vangu, uye hama dzekwamai
ndidzo chete dzandaingoziva.

"Handina weropa wandinoziva"


"Hauna? Uri munhu wenyama here
iyewe. Zvino tozviita sei kuti zvikunakire"

Ndakatanga kubata musoro ndodzamisa


pfungwa ndiko kuzoti.

"Saka zvotoreva kuti ndiko kutoparara


here?"

"Sandizvo, zvotoreva kuti unofanirwa


kuita mumwe mwana muhupenyu hwako.
Asi usati warara nemukadzi uyo
achakupa mwana ndinofanirwa kukupa
mumwe mushonga. Ndakupa mushonga
uyu ndichakuudza zvekuita. Mushonga
uyu uchatanga kushanda kubvira mwana
uyu achiri mudumbu, ndiko kukunda
kwako ikoko"

Ndakatanga kunyenwerera, Mamoyo


ndiye ega aizokwanisa kundiitira mumwe
mwana zvekare. Ndanzwa mashoko aya
ndakave nemufaro.

"Izvozvo zvinoita" Ndakapindura ndave


nemufaro. Kutya kose kwakabva
kwapera.

"Zvinokudzwa, asika chitoona kuti Mwana


wako wamuuraya. Ndichitaura kudai
arikubuda murima zvishoma nezvishoma,
uye ndaona azoziva chokwadi"

"Ko murima macho arikuda kubudiswa


naniko"
"Munyika umu mune varoti varatidzwi,
vanobetsera. Isu yedu midzimu kune yavo
midiki kwazvo uye haina kukora.
Munharaunda menyu mune munhu
anzwa tsitsi..ndichitaura kudai
ndirikunzwa kuchema kwake achitaura
zita reMwanakomana wako. Asi kana
angofa chete zvose zvinopera. Ndiko
kupera kwemashoko angu."

Yakadaro Chembere iyi ndokubva yatora


chainge chimugoti, ndokutanga
kukurunga mvura iya yekuvira. Yapedza
izvi ndokubva yandipa kuti ndiimwe, ini
ndakangoita sekudaro.

"Mukadzi achakuitira mwana haafanirwe


kuziva zvose izvi. Ndirikuona asiri
Mukadzi akambokuitira mumwe Mwana"

"Ndizvozvo chaizvo. Mukati iyo Chembere


yangu ingabvuma kuchiita mumwe
mwana here?'

" kana uchida ndinogona kuzvigadzirisa


kuti ave anobvuma, asi ikozvino zvirikuda
achiri fresh achiri kutemwa dzinobuda
ropa. Ndanga ndichiti mukadzi uyu
haafanirwe kuzviziva kuti pane zvakaitwa
padumbu rake iro raachabata. Haafanirwe
kugara ari kuvanhu vemweya dzamara
azvara mwana. Hapana mushonga
wandinokupa maringe neizvozvo. Iwe
ndiwe unofanirwa kumucontroller"
"Zviri munzeve, ko pakuuraya apa ndini
ndinofanirwa kuuuraya Mabasa here?"

"Amuuraya auraya, kufa kufa.


Chatirikungoda kufa kwake chete chete.
Ukanoita zvandataura hapana
chinofumuka" Chembere iyi ndakabva
ndangoitenda, iyo ndakaona yave
kunyemwerera ndokuenda kunovhara
gonhi yapedza kuita izvi yakabva
yangouya pandiri ndokubva yandikurura
mbatya dzangu, semunhu aiziva zvaida
Chembere iyi handina kumbovhunduka.
Takabva tangoitawo zvatakaita, tapedza
ndipo pandakazopiwa mushonga yangu.

Sezvo zuva rainge rodoka ini handina


kukwanisa kuti ndive ndinodzokera
kwangu kumusha, zvichireva izvo kuti
ndaizodzokera mangwana acho.
Ndakazorara pamusha apa, ndakarara
neChembere iyi titori mujira rimwe chete.
Chekutya chaisavepo apa, ndaigotyei iyo
yainge yandigadzirira hupenyu hwangy.
Munongozivawo kuti panosangana ve
opposite sex zvinoitika ipapo zvikukutu,
worse matorara henyu mujira rimwe
chete. Hazvitaurike.

Uyu Mamoyo ndiye aingondisendera ma


messages achindiudza kuti ainge
andisuwa, zvaitoshura chaiko. Kuzoti dai
ndainge ndakamushandisira mushonga.
Mumwe munhu aizondichemerera
chaiko. Lucky enough Mamoyo
akakurumidza kundiudza zvekuti Mabasa
afe, ini ndaitove murima chairo.
Zvichireva kuti dai ndaizononoka ndini
ndaizofa kaah. Chainge chasara apa
kuchi ronga kuti Mabasa ofa sei? Iyo
yaisave nyaya hombe, zvose izvi
ndaizozvisiira kumuroora wangu. Ini
zvekuteura ropa ndainge ndisingade
hangu.

Ave mangwana acho Chembere iya


yakazondiudza mashandisiro ekuita
mishonga iya zvekare, ndiko kuzondipa
mimwe mishonga yekunozvishandisirawo
semunhu wemurume_____
*MABASA*

"Daddy marwara here?" Uyu aive


mukadzi wangu achisvika pandainge
ndakagara, ndainge ndakatogara
mumadziro eimba. Zuva iri ndaingonzwa
kungoneta neta uye kungopera pera
simba. Kuti nditi ndairwara
ndingatonyepa, chandaingonzwa kupera
simba chete chete. Kumushando wangu
ndainge ndatotadza kuendako nekuda
kwekungopera pera simba kwandaiita.

"Ndikungonzwa kupera simba mukadzi


wangu"
"Yowee, ndofunga kushandisa
kwamakaita. Regai ndikuisirei mvura
yekugeza. Ndinoona sekuti mukageza
munonzwa zvakanaka"

Akadero Mukadzi wangu achibva


andiendesera mvura kuchigezero. Ini
nekusada kurwadzisa munhu ainge
andiratidza rudo rwake ndakabva
ndaenda kunogeza,
ndakangozvishingisawo hangu asi aitove
makwikwi chaiyo.

Ndapedza kugeza ndakabva ndangoenda


mumba, ndaida kumborara chaiko.
Zvandainzwa zvaida kuti ndimborara
chaiko. Ndichingorara pamubhedha hope
dzakabva dzatondibata, ndakarara kudaro
ndakatanga kurota ndichiyeredza misodzi.
Ndiko kuzorota vanhu vairidza tsamwa
vakanditarisa vakavhara zviso zvavo.
"Kwakanaka here" Ndakabvunza vanhu
vaye asi akandipindura hapana, pane kuti
vandipindure vakabva vatanga kuita
ruzha vachitaura zvaisanzwikwa, nzeve
dzangu dzakatanga kurwadza nekuda
kweruzha urwu. Muchinguva chishomana
vakadzi vaye vakamira kuimba ndokubva
vauya pandaive ndakamira vachibva
vandikomba, vakadzi ava vakabva
vangondidzvinya nemuhuro umu.

Mushure meizvi ndakabva


ndangopepuka, uku ndichiita
kakuvhundikira,

"Kwakanaka here?"

Akadero Mamoyo uyo aive akagara pa


edge yemubhedha, ini hsndina kana
kupindura, ndainge ndakufunga hope
dzandainge ndarota asi hapana
chandakakwanisa kana kurangarira. Huro
yangu ndiyo yainge iri kurwadza uye
matama ndiwo ainge akazara misodzi.

"Mabasa kwakanaka here?"

"Ehe kwakanaka, ko why wabvunza."

"Ndaona wamuka uchiita kakuvhundikira


kaah. Wave sei muviri"
"Haa ndave bhoo ini."

Kutaura chokwadi simba rainge ravemo


mandiri,

"Aah saka simba racho ranga richingoda


kuti murare here"

Mamoyo akataura mashoko aya achibva


atogadzira hake pamubhedha, ini
ndakabva ndatobuda mumba. Ndakabva
ndafunga kuenda kunoudza Muchembere
wandaishandira kuti ndaizouya
mangwana acho, ndatove munzira
kudzokako ndipo pandakasangana
naDeke, paakada kumbotaura zvinyaya
zvake ini ndakaerekana ndatora zidombo.
Ndaitoda kutomutema chaiko. Dai asina
kuzotiza ainomukira kuchipatara chaiko.

Munhu rudzii nhaimi. Munhu


anongoramba akatsimbirira nyaya imwe
chete, hee kumasowe, hee chino. Ini pasi
pano pezuva ndinoda kukwanirwa. Kwete
munhu kuda kundiitira kunge ane
ngozi.____

*End Of Chapter*
https://chat.whatsapp.com/Hrurz7iJXs8C
GwNp5snAB8

*TEZVARA NEMUROORA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 15
*MAMOYO*
Ndainge ndangomirira chete kudzoka
kwaTezvara kuChipinge, mushure
meizvozvo ndozouraya hangu Mabasa,
ndainge ndatononokerwa ini nekufa
kwaMabasa. Kana zvaigona ndaigona
kungomugadzika riri sanhu chairo, ini I
can do anything kana ndada kuchiita.
Zvekuti hee kune ngozi aiwa kwandiri
zviroto. Izvozvo kana zvichizouya
zvinouya hazvo.

Ndakatora phone yangu pacharger


ndokubva ndafonera Tezvara avo vainge
vachiri kuChipinge, dzainge dzave two
days vasina kana kudzoka havo.
Vachingodaira phone yavo ndakabva
ndati.

"Nhai Daddy muchiri kuChipinge nanhasi


here"

Pane kuti vapindure ndakanzwa vave


kuseka.

"Pindurai kaaah. Or makutoita zvevamwe


ikoko. Musakangamwa kaah kuti kuno
makasiya mukadzi. Imimi munoziva kuti
Mabasa ndewe ju ju ju. Munoda kuti
ndiwane ndafa handi?"

Ndainge ndatotsamwa zvangu, ndapedza


kutaura mashoko aya Tezvara vakatanga
kuseka zvekare. Dai vaiziva kuti ndainge
ndakatovatsamwira vaisatomboseka
zvavo.

"Listen babie. Ufunge basa racho


rakawandisa, asi mangwana chaiye
zvikafamba mushe ndinodzoka
mangwana chaiye"

"Heya tinoona madzoka, ko uyu Mabasa


makazoti toita sei naye"

"Inga ndakakuudza wani kuti


ndichakuudza zvekuita kana ndichinge
ndadzoka" Baba ava kana vaisapenga
vaitodhunya nhaika. Kusvika rini
ndakangomirira kudzoka kwavo. Which
means chero vakadzoka gore rinouya uyu
Mabasa anenge achingove mupenyu
kaaah nhai. Dai ndisina kuzozvidzora
ndingadai ndakaita zvimwe. Mabasa
ndainge ndatofunga kutomuuraya zuva
iroro,

Ndapedza kutaura naTezvara ndakabuda


muimba yangu yekurara uku
ndichingoridza hangu tsamwa,
ndakaerekana ndasangana naVamwene
vangu avo vaitobuda muimba yekubikira.

"Kwakanaka here Muroora kwaunoridza


tsamwa kudai?"

"Kkk ehe kwakanaka Mhamha. Kungoti


am stressed chete"
"Stressed nei futi.. Chii nhaiwe. Murume
akagwinya unaye, chikafu pano chizere.
Chimwe chii? Pamuviri wave kubatira. Ini
ndini ndingatoita stress kwete iwewe, ini
unomboziva here kuti ndatononokerwa
nekuvawo nemuzukuru. Haa ari
kumusoro uyu ane basa"

"Am stressed for no reason Mhamha"

'Hezvooo. Haaaya ndashaya kana


neshoko rekutaura zvangu." Vakabva
vangoenda kuimba yekurara, ini
ndakabva ndapindawo muimba yekubikira
ndaida kutotsvaka chekudya, kubvira
makuseni ndainge ndisina kumboisa
something mumukamwa, ndaingonzwa
kungozvigutira hangu. Zvino apa
mudumbu mainge makuita kurira nyoka
dzakuita kumhanyidzana.
Ndakagwedebudza mapoto asi
ndakashaya chikafu. Zvichireva kuti
pamusha apa zvezuva iri painge pasina
kubikiwa here? Zvino kana painge
padyiwa changuwo chikafu chaive kupi.
Haa vanhu vepano kukara vane Chipo
zvavo. Vamwene vangu vakabva
vangopinda ndiri pakati pekugwedebudza
mapoto.

"Ko uri kutsvagei nhai Muroora"

"Chikafu Mhamha" Kana kumbonyara


zvangu. Ndaigonyarei ini ndaitaurawo
nemumwe muroora. Kana
kumbozvisvunirira zvangu. Ndinonzi
Mamoyo special ini

Ndakaenderera mberi ndoti.

"Nhai Mhamha pano pamusha padyiwa


here nhasi?"

"Ehe tadya isu, tatobika size 6 chairo.


Ndafunga kuti wakatsanya kaah nhai"

"Kutsanya."

"Ehe, handi wangoswera uri muimba yako


ndikati kuda pane zviri kuitika. Ndazoona
wakumboenda kugomo ndikati kuda uri
kuenda kunonamata. Manje kana
wafunga izvozvo wotoita wakangwarira.
Tezvara vako vanoita kunge vanodya
tsvina yedhongi. Kungozviziva kwavo kuti
wakuita zvekutsanya nechurch. Mhai kani
unoita kunge uchadyiwa"

Nzara yandainzwa yakabva yambopera,


ndakabva ndagara pabench. Ini nyaya
ndaidzida hangu.

"Asi murume wenyu haade vanhu


vanonamata"

"Iwe unozviitisa chaiko. Zvaune maziso


wani. Kubvira zvawauya pano
wakambondiona nduchienda kuchurch
here uye kundinzwa ndichiti muzita
rababa. Ndidyiwe zvangu naBaba vako.
Pano havazvide, hameno akavaudzawo
kuti hakuna Mwari ndiani? Ini kungoti
ndinodawo hangu zvepano. Dai zvisizvo
ndingadai ndichitoenda kuchurch. Plyz
zvechurch zvacho zvitoriwo kure neni.
Vanoenda kuchurch ndivo
vanonotinamatira"

"So hanzi mukaenda kuchurch hanzu


munoita sei?"

"Zvinoziikamwa naniko. Iwe chingoziva


kuti pano pamusha hazvidikwe. Heya
wanga usingazvizivi. Asi watozviziva
kaaah nhai. Wotoita wakangwarira
zvekutsanya kwako ikoko" Chembere
yaitopenga. Ini manje kutsanya.
Ndichitsanyira chii zvekare. Neni wacho
zvechurch zvaitove kure neni. In fact
kutonamata kwacho ndaitokunzwira
husimbe. Ukandinzwa ndikati amen
kunonaya mvura ine sadza chaiko.

Ndakazosimuka pabench ndokubva


ndagadza chimugomo chemvura, mvura
iya yapisa ndakabva ndazviisira hangu
tea yangu. Vamwene vangu ndakabva
ndavaisirawo yavo tea.

Tea yacho ndakaimwa isina chimwiso, ko


ndaigochiwana kupi? Ndapedza zveTea
ndipo pandakazobika sadza nemazai
ndokubva ndazvidyira hangu.

Ndapedza kudya sadza ndakazosuka


maplates angu. Zuva rave kutonodoka
ndainge nditori kugeza apo ndakanzwa
kutaura kwaTezvarq, zvichireva kuti
vainge vadzoka kaaah. Asika paphone
vainge vamboti mangwana acho ndipo
pavaizodzoka. Mufunge handina
kumbozogeza zvakanaka,
ndakangozozvidira dira ndomhanyira
kunoona kuti vaive Tezvara zvechokwadi
here.

Sezvineiwo ndakanowana vari ivo. Ungati


kufara kwandakaita here ikoko. Baba
ivava truly speaking ndainge ndavasuwa
hangu.

Tapedza kudya sadza manheru,


ndakanyepedzera kuenda kutoilet
ndokuoona Tezvara vaya vatevera panze
pandainge ndiri.

"Asi Tezvara hamudaro. Ko


kuzondinyepera kuti murikuuya
mangwana. Makaoma henyu "

"Sorry kani babie, ndanga ndichida


kukuitira surprise, urisei hako.
Unomboziva kuti ndakusuwa here. I miss
you babie" Ndakabva ndangokiswa
murima ikoko. Ndiko kuzondisiya vave
kumhanyira kudzokera mumba. Ini
ndakazodzokerawo after 20 minutes,
nguva yose iyi ndaive ndakatogara hangu
panze ndichitaurawo naShamiso uyo
aitondiudza kuti ainge aroorwa,
ndakangomukorokotedza chete handina
zvinwe ndakazotaura naye. Shamiso
ainge ave kungondibhowa bhowa, nguva
zhinji kwaive kungondiudza hee ko wadii
kudzokera kumusha kwako.
Ndaigodzokera kunodii ini ndainge
ndagarika. Kungoti munhu ukamuudza
kuti zvakutsvobida anogona kufunga kuti
unenge uri kumunyepera sezvo unenge
wakambomuudza kuti kugarira nhamo
chaiyo.

Ndadzokera mumba ndakanzwa


Vamwene vangu vave kuti.

"Wanga waenda kupiko muroora. Wanga


waenda kugomo" Vakabva vatanga
kuseka zvavo.

Ndakaona Mabasa ave kunditarisa


pamwe chete naTezvara vangu.

"Kutamba zvangu newe muroora wangu.


Ungaenda kugomo usiku rwuno
ungasarumwa here nhai. Asika handi
unenge wafambira zvaMwari here?"

"Kugomo kune Church" Vakaigamira


padenga Tezvara vaudyura maziso avo.

"Pano pamusha hakuna anoenda


kuchurch. Heya muroora ndanga ndisina
kumbokuudza izvi. Pano pamusha ndini
ndinotonga. Anenge asingade zvepano
anorongedza twake" Vakadero Tezvara
ndokutanga kubwaira bwaira.
Ndakatoshaya shumo yazvo ini.

"Imi Baba, inga ndati ndirikutamba


nemuroora wani. Haaa munotonetsa imi.
Munongohakira hakira. Asi ikoko
kuChipinge mabva muchidzingirirwa
here? KuGomo kwakazoita church zvarini
nhai. Kana muchinzwa nzara tairai
tikubikirei sadza. Hupfu hurimo. Moto
uripo. Mufushwa uripo zvekare. Ehe
tozviziva kuti hamuzvide zvechurch. Uyu
muroora wenyu ndakasara ndikamuudza
izvozvo"

"Aida kuenda kuchurch here?" Ndakabva


ndangopa Tezvara ziso raive nechirevo
ndokubva vazonyarara nyaya iyi.
Sezvineiwo hapana akazotaura nezvayo,
ndatove mumachira ndipo pavakatanga
kundibvunzurudza. *Nhai Babie
wakambosara ukaenda kuchurch here?*
ndiwo mashoko aive pamessage iyi.

Ini ndakabva ndati. *Handina kuchurch


kwandakaenda, imi hamumuzive here
mukadzi wenyu. Kugomo kwandaienda
ndainyepa kuti ndiri kuenda kunonamata,
nyamba kwete ndinenge ndichida
kunowana kukufonerai* Ndakabva
ndangoisenda, uyu Mabasa ndiye ainge
akatofa hake nehope.

Ndakaona message yangu yapindurwa.


"Okay kkk saka wakapenga, asika inzwa
ini zvevanhu vanoenda kuchurch handide
hangu"

"Zviri munzeve daddy"

"Good worara zvakanaka handi. Umm


imwe nyaya zvekare, hameno kuti
uchazvifambisa sei kuti Mabasa afe"

Ndakatoseka hangu nemashoko edhara


iyi. Ndakabva ndatanga kutyper ndokubva
ndati. *Imi chingosiirai zvose kwandiri.
Chokwadi Mabasa ari kutondishaisa
rugare. Mangwana chaiye kana
zvichigona anogona kutofuga rake oga.*
Ndasenda message iyi ndakabva
ndatobatirwa nehope

Mangwana acho ndakamuka mphone


mangu muine message iyo yainge yabva
kunaTezvara, vainge varikundiudza kuti
ndiite ndakangwarira minyati yangu.
Handina kuzogara pamusha, ndakabva
ndaendawo kune imwe chembere iyo
ndaiziva kuti yaiita zvemishonga shonga,
ndasvika ikoko ndiko kwandakanopiwa
mushonga wekuuraya. Mushonga uyu
ndaida kuzoisa muchikafu chaMabhon"a,
sezvineiwo pandakati ndichiisa muchikafu
chake mushonga uya ndiye wakandiisa
kupi. Kutotsvaga imba yose kana
kumuwana_____
....
*End Of Chapter*

.
https://chat.whatsapp.com/Hrurz7iJXs8C
GwNp5snAB8

Chapter 16 yanga ichifanirwa kuuya


mangwana, pane zvaitika saka
muchiuona ndaiunza...

*TEZVARA NEMUROORA*
STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 16

*MAMOYO*
Ndakatsvaga imba yose asi hapana
chandakawana, papi pacho pandisina
kutarisa. Kutotarisa pasi pemubhedha
can't get. Munoziva ndakaita kuperrerwa
here? Zvino mushonga wacho wainge
wakawira kupiko. Ndakatarisa zvekare
muchipesi mandainge ndakaisa asi
hapana chandakaona, ndakapedzisira
ndati gojoto pamubhedha. Simba
ndakarishaya ini. Ndainge ndangochibata
shaya ndodzamisa pfungwa dzangu.
Ipapo Mabasa ndipo paakabva
angopinda.

Ini ndakaramba ndakabata shaya yangu.


Iyeyu Mabasa zvimwe aigona ariye ainge
akautora zvake. Zvino kana zvirizvo
ndinenge ndakapisira.

Pangu paizondiperera chete

"Are you okay babie"


Akadero achindibata bata, ini
ndakanyepedzera kunyemwerera
ndokubva ndati.

"Eish ndikurwara ini. Kutonzwa mudumbu


chaiko babie. Ndiri kuita kuchaya chaiko"

Ndakatonyepa hangu.

"Ukunzwa mudumbu. Matanga nguvai


futi."

"Makatanga nezuro manheru" Ndakabva


ndanyepedzera kubata mudumbu,
ndichiita semunhu ainge ari kurwadziwa
chaiko. Mabasa achiona izvi ndakaona
achiratidza kundinzwira tsitsi chaiko.
"Kuti hausi mutakura here babie"
Mutakura wacho waitaura nezvawo tainge
takaudya last month. Uyu Mabasa kuti
nditi dzaike dzaivemo ndinganyepa
hangu. Dai aive atomboti raive sadza
ndaitombonzwisisa.

"Umm kuti mutakura here? Iwo uya


wandakadya last month here? Handione
sekudaro dear"

"Eish hope unopora, zvino chii chaizvo


chaizvo."

"Rega ndimborara"

"Okay ndichadzoka ndokuona masikati


ndobva kumushando"
Ndakabva ndatozvikanda pamubhedha,
pandakaona kuti ainge abuda
ndakamhanya kunodongerera kuti ainge
aenda zvechokwadi here. Ndaona kuti
ainge atora nzira ndakabva ndavhara
door ndokutanga kutsvaga imba yose.
Ndakatanga nekutsvaga muhembe
dzamabasa zvimwe kuda ainge akauisa
hake muhembe dzake, ndakatsvaga
muhembe dzake asi hapana
chandakawana zvekare.

I was now confused, musoro ndakanzwa


uchiita kutemera nechekure. Ndakabva
ndangobata muchiuno ndokubva
ndapererwa, ndaizorora mushure
mekunge ndawana mushonga uyu.
Ndiri mukushushikana pamukova pakaita
knock ndokuenda kunovhura. Ndakawana
vari Vamwene.

"Iwe Muroora tirikunzwa nzara isu.


Chikafu chawasiya wapakura umo unoda
kuti chimharwe nenhunzi here"

Ini kutozvikangamwa kuti ndainge


ndapakura chikafu, muchikafu imomo
ndimo mandaida kuisira Mabasa
mushonga uyo unova wandazoshaya.

"Aaah sorry Mhamha. Saka Mabasa


aenda asina kudya here?"
"Anogodya apiwa nani. Ini izvozvi ndipo
pandaona kuti mumba mune chikafu
chirimo."

"Sorry zvenyu. Kungoti musoro ndiwo


wazombonditema mbijana saka ndanga
ndamborara hangu."

"Nhumbu kana ichiuya ichidai vamwe


vachazvirega chete. Hai hai. Pano
pamusha kungodya tsvina chete. Izvozvi
chikafu ichocho chanzwa nekuweterwa
nemakonzo anongomhanyidzana neimba
yose" Vakabva vangodzungudza musoro
wavo ndokundisiya ndakangomira.
Ndakabva ndadzokera mumba
kunotsvaga zvekare. Asi hapana kana
chimwe chandakawana zvangu.

Ndaona kuti ndamushaiwa zvachose


ndipo pandakazoenda kuimba yekubikira.
Ndakawana Vamwene vangu vave
kutozvidyira chavo chikafu. Chevamwe
chainge chavharirwa nendiro.

"Muroora oenda unopa Tezvara chikafu.


Ini ndanzwira husimbe. Tezvara vako
vanonetsa zvekare. Ndikavavigira chikafu
ikoko ndinonopinzwa interview heee chino
hee chakati, heee maisa royco here heee
ko zvaangori mabhonzo chete. Manje
sezvo uri iwe wabika better unopindura
mibvubzo yacho. Vanogona havo
kuzokunyara, uchiti vangakubvunza here"
Ndakabva ndangotora ndiro yaMabasa
ndokubva ndawedzera chikafu chake
munechaTezvara.

"Ko wavekuitei nhaiwe Mamoyo. Ichocho


handi chikafu chaHubby wako here?"

"Asipo haapo nemuromo wake" ndainge


ndakatotsamwira mushonga uyo ndainge
ndashaya.

"Gegege ndaseka zvangu. Zvino iwe


uksafunga hubby anozofungiwa nani.
Haaaya kungoti ikoko kwaaenda
anobikirwa. Handi kuzobva asina kudya
anga achiziva kuti ikoko anonodya here?
Iniwo futi anga achigodya chikafu chacho
apiwa nani. Ho saka Tezvara ndivo
varikunodya chikafu chose ichi. Nhasi
vanoputika chaiko."

Handina kumboterera zvekupenga


zvavainge vari kutaura. Ndakangotora
chikafu chiya ndokubva ndavigira Tezvara
vangu.

"Wave papi nenhau iya Muroora"

"Dont worry Daddy nditori munzira


kutodzifambira nyaya dzacho"

"Uchazviita sei apa. Let's hope hazvikuise


mudanger" Ko ndainge ndisina
kumbovaudza yemushonga uye kuti
ndainge ndanopiwa mushonga wacho.
Ndaingozoda vaone kuti ini nditori bhinya
chairo mushure mekunge Mabasa ave
kufemera mudenga. Yekuti ndainge
ndashaya mushonga handina
kumbovaudza, ko ndaigovaudza sei ini
ndainge ndisina kutombovaudza
nezvemushonga wacho.

"Imi chingotarisai nemeso daddy,"

"Kkk haaaya unotaurisa handi. Anyway


huya undidyise kaaah babie" Ndakabva
ndangotora spoon ndokubva
ndangovadyisa, handina kuzogara
kudare. Ndakadzokera kuimba yekubikira.
Vamwene ndakavawana vave
kutopedzisa kumwa yavo tea. Ini
ndakabva ndagarawo pabench ndabata
shaya, chikafu changu ndainge
ndangochitarisa. Appetite chaiyo ndainge
ndisina.

"Wakaguta here muroora. Kana wakaguta


ndidye hangu chikafu chacho. Ini handina
kumboguta zvangu. Dai waziva chikafu
chiya chaMabasa watopa inini. Haaa
kwandaita ndiko kunonzi kungofembedza
chaiko."

Vakadero votora plate yangu, handina


kumbotaura navo. Ndakangosimuka
ndoenda muimba yangu yekurara, ndaida
kumbozorodza pfungwa. Kana ronovira
vira ndozotsvaga zvekare mushonga
wacho ndadzikamisa pfungwa.
Ndakangosvika nekupinda mumachira.
Ave masikati ndipo pandakazungunutswa
ndokuona ari Mabasa ainge
arikundimutsa.

"Waswera here? Wakunzwa sei nhai


Babie"

"Murikurwadza kani" Ndakabva


ndayeredzera zvimusodzi kuti zvityise.

"Zvino mushonga wangu wemudumbu


handisi kuuona. Mungadai matopora
kare"
"Mushonga?"

Mabasa akataura mashoko aya


achiratidza kushamisika.

"Ehe mushonga. Ndaive ndakauisa


muchipesi umo zvino handichazivi kuti
wakadonhera kupi?"

"Heya mushonga wemudumbu"

"Asi wakauona."

"Ehe ndakaunhonga pasi apo, ini


ndaitofungawo kuti ndezvimwewo zvinhu.
Ndaida kutozokubvunza kuti zvii zvinhu
izvi... Eish zvino ndichaziva pandakauisa
here"

At least mushonga wacho ainge asina


kuziva kuti ndewechii. Haa Murume
anobatisa hake iyeyu. Regai zvife
ndizorore. Akabva atanga kutsvakurudza
imba yose ndipo paakazoubudisa
mumajombo ake ayo aive kuseri kwedoor.
Ini mumajombo umu ndainge ndisina
kumbotarisa zvangu. Nechainge akauisira
mumajombo ndakatochishaya ini. Zvino
mushonga wacho waizoshanda here
pakadai..

"Saka unoita zvekumwiwa here ndinotora


mvura"

"Ehe, asi.." Ndakasara ndotaura ndega


munhu ainge atobuda uku akabata
mushonga uya. Pasina chinguva ainge
adzoka uku akabata kapu yemvura,
akabva angoisa mushonga uya mukapu
yemvura. Zvose izvi zvaingove mumaziso
angu.

"Chimwa babie. Hope unoita zvakanaka"


Akadero achida kundisvitsa kapu iya,
ndakatanga kudedera. Ndaiti ndirikugona
izvi ndiri kuzvifonera. Asi mushonga
ndiwo wandaizorega kumwa hangu.
Remember waiuraya kah uyu, and
ndaingofa ipapo ipapo. Wainge waitwa
over doze chaiyo.

"Babie urikuda kupona here? Inga wati


mushonga wacho unorapa wani. Saka
why urikuramba kumwa"

"Aaaah kk. Iwe hausi kunzwawo


mudumbu here babie"

"Ndiri fit."

"Aaah kkk chimbomwa umbonzwawo kuti


unoita sei? Unogona uchivava, you know
kuti ini zvinovava handide. Hongu
ndirikuda kupona" Ndakabva ndatanga
kusekenyeka.

"Haaa ndingasakupedzera here babie, ita


kakutsinhira ndikumwise" Ndikaita
zvekutamba yaizofira kwangu. Mabasa
akabva aswedera pedyo neni kuti
andimwise, apa zvee apa paitoda
kuchenjera chaiko. Ndakabva
ndangonyepedzera kuvhunduka
ndokubva ndarova kapu iye neruoko.
Sezvo Mabasa ainge asina kuibata zvine
simba yakabva yangodonha kapu iya
mushonga uchibva wateuka.

"Mhaiwee" akadero achibata musoro


wake,

"Hona manje. Saka uchamwei nhai


babie."

"Aaaah mudumbu mangu kani.. Mabasa


rega ndimborara, chekumwa ndozozviona
ndamuka. Umm rega ndimbomhanya
kuchipatara. " Ndakabva ndangobuda
ndiri bara, kuseka kuya hunge wakagarika
hama dzangu. Ndakangosvika nekupinda
mutoilet ndiko kuzotura mafemo
ndavemo. Ndakatenda Mwari. Chokwadi
ndainge ndatofa kaah ini. Mabasa
ndaisaziva kuti ndizvo zvaari ini,

Mutoilet muya ndakaita 5 minutes,


ndaifunga kuti ndaizowana Mabasa
adzokera kubasa kwake, ko ndaigozivei
kuti ainge akatondimirira panze petoilet,
ndabuda ndakawana akandimirira. Ini
ndakanyepedzera kubata mudumbu
wangu.

"Zvishingise babie. Eish manje


handichatodzokeri kubasa ini."

"Aiwa dzokera zvako. Ndave right ini."

"Iribhoo. Ndichadzoka ndichikutsvagira


mushonga muvanhu umu" Nemashoko
aya akabva atora nzira, ini ndakabva
ndangoenda kuimba yekurara uku
ndichingodzungudza musoro. Ndapinda
muimba yangu ndakabva ndakorobha
mvura iya, ndapedza kuita izvi
ndakapinda munzira ndakananga kumba
kweChembere yemishonga, ndaida
kunopiwa mumwe mushonga zvekare.
Ndasvika pamusha uyu ndakawana
pachingove nevazukuru chete, avo
vakabva vandiudza kuti Mbuya vavo
vainge vaenda Mwenezi uko kwaive
nemwana wavo airwara.

"Zvino vati vanodzoka rini?"

"Ndofunga kupera kwemwedzi."

"Nhai Jeso.. Aaaah, saka imi hamuzive


panogara something here. Yokera yokera.
Iyi zvee iyi. Aaah asi sevazukuru
vambuya munofanirwa kuziva kaaah"

"Chii ichocho"

"Haaa hazvinei nemi" Hongu panogara


mushonga vaigona kupaziva, asi
ndakangazooona kuti unogona kupiwa
usiri Iwo waunenge uchida zvikakuomera,
unopiwa wekuroya wakatemba iwe uchida
wekuuraya. Ndakangodzungudza musoro
wangu, kutopererwa chaiko. Aya ndiwo
ainzi maone atanga manje, Zvino Mabasa
wacho ndaizomuuraya nei_______

*End Of Chapter*
https://www.facebook.com/100058838586
544/posts/355189703118980/

https://chat.whatsapp.com/Hrurz7iJXs8C
GwNp5snAB8

VARIKUDA book from 1 join group iro,


richaiswa umo from 1 mangwana
masikati.

*TEZVARA NEMUROORA*

STORY BY KULE C
0775937782
CHAPTER 17

*MABHONA'*
Ndainge ndangochimirira kufa kwemwana
wangu. Kufa kwake kwainge kwave
kutondinonokera. Uyu Mamoyo ndaiziva
hangu kuti ndiye aizomuuraya, zvekuti
aizomuuraya sei zvainge zvasarira iye
mbune. Ini ndaisada kuteura hangu ropa,
asi dai kuri kuti paisave naMamoyo haa
ndaiteura ropa racho. Zvino apa aivepo
kaah nhai. Ndokusaka ndainge ndaisa
nyaya yacho mumaoko ake.
Ndainge ndangomirira kunzwa kuti
Mabasa afuga rake rega, ndaitoziva kuti
ndikaita zvekupusa pusa yaizofa kwangu.
Uyu Mabasa ndainge ndataurirwa kuti
aigona kuzondiuraya ariye mbune.

Ndakatsvakurudza raini rose ndikashaya


kuti ndianiko iyeye ainge ari kuda
kusunungura mwanakomana wangu.
Munhu iyeye dai kuri kuti ndamuziva
ndaimuita zvinogara zvakadero. Vanhu
dzidzai kutanha dzamunosvikira. Yausina
kutanga unodirei kuipedzisa nhai.
Pedzisai zvamakatanga. Ini zvemunhu
anongotomhoka tomhoka zvisina direction
ndaisazvida hangu. Munhu uyu akatoita
lucky rekuti ndainge ndisiri kumuziva.
Kunyangwe zvakadaro ndaitozoona kuti
ndatsvakurudza munhu uyu. Zvichida
aitove munhu wemasowe hake. Besides
vemasowe ndevapi vamwe vanhu
vangaite izvozvo. Hapana. Zvaingove
pachena sekumagadziko embudzi. Ivava
vanhu vemasowe regai vachivengwa
nevanhu, fanika ini handitode kuvaona
muhupenyu hangu. Waisa kupi vanhu
veroma, yaa ndivo vanhu zvee avo.
Havana basa nezvakawanda. Chavo
kungozvidyira chirairo chavo vonomwira
mvura vave kudzimba dzavo.

Ivava vemsowe ndivo vanotemesa


musoro, fanika ini musoro wangu unoita
kutenderera chaiko. Panekuti vafambire
chimwe vanozoda kupinda nemudzimba
dzevanhu zvinova zvinonditosvora. Manje
ini ndinonzi Mabhona' mumwe
ndinomugura musoro masikati machena.
Zvino vemasowe vacho vaive vakawndisa
muraini medu. Kuti uti ndeuyu, kana kuti
uyu zvaitonetsa. Vanhu vacho vaive
vakawandisa zvinotobhowa. Venhema
nevechokwadi vaive vakasangana.
Zvinotosekesa chaiko. Waigona
kungofungira munhu asiriye asinei
nechekuita nehupenyu hwemwana
wangu.

Ndakaerekana ndasheedza Mabasa


kudare kwangu. Ndaida kumubvunza
kuchurch kwaakambondiudza kuti aida
kuenda.

"Gara zvako necheapo Mwanakomana


wangu." Ndakabva ndatanga kubwaira
bwaira, ndokubva ndamudzvokora uku
ndatsvukisa ziso rangu. Dai taive pedu
tega ndaigona kungoshandisa mukana
uyu kumuuraya. Ko zvinombonetsa here?
Ndaigomudzipa kaaah nhai. Ndiye zii
akadero.

"Eeeh mwanangu wakambondiudza


zvekuti unoda kuenda kuchurch kaaah."

"Ehe baba yenguwo chena chaiwo. Mave


kundibvumidza here? Hiii ndingafare
chokwadi."
Mwana uyu waitove Mupengo.
Aitodhunya pamusoro pazvo. Dai aiziva
kuti ndainge ndamufungira parefu
aisandinyenamira nyenamira.
Kusotinyenama sekunonzi aitaura zvine
direction. Aingomisa iko kusviba kunge
hameno hameno.

"Ndinoda kuziva kuti waida kupinda


yeMuporofita upi?"

"Aaah masowe muno mudunhu anopera


here?"

"Iwe waida kuenda kupi?"

"Iyi zvee iyi inopinda Deke" Ndichinzwa


zita iri hana yangu yakati tibvu kurova.
Ndakatanga kupindwa nechando.
Handitozive kuti chii chaida kuitika
pandiri.

"Deke anopinda masowe"


Ndakazvishingisa kutaura uku
ndichihutisa muviri. Deke wandaiziva
chaive chidhakwa zvacho.

"Ehe anopinda uyo."

"Kutanga rini, haah ndakazviziva zvangu


kuti church yenyu ndeyepasi pemuti.
Ndimi vanhu muchatora vakadzi vevanhu
muchizvitu munoporofita. Deke chaiye
ave kupinda masowe here?'
" nhai Baba, Deke anongoenda
kunobatsirwa chete. Kubatsirwa hakuna
basa nekumwa doro uko."

"Anonobatsirwa kupi?"

"Ipapo handizive hangu."

"Saka ndiye akati hande kumasowe her.."


Handina kupedza kutaura nekuda
kwekukusora. Zvichireva kuti kana ari
Deke ndiye chete ainge arerwa
neChembere iya, asika Deke aisave
muporofita, zvichireva kuti paive
nemumwewo muporofita wandaisaziva.
Izvozvo ndaizozviziva hangu nekufamba
kwenguva.
"Saka mazondibvumidza here Baba"

"Kukubvumidza kupinda Church here?


Kangamwa shamwari."

"Baba musakangamwa kuti ndiri munhu


wenyama kaah INI. Zvino mukaramba
mondirambidza ndoziva zvipi. Aiwa ini
church ndiyo yandiri kutozopinda. Ini
ndakakuzivisai. Zvekuti makandirambidza
ndimi munozviziva" Ndakatadza kuziva
kuti zvivindi zvake zvaive pai chaiko. Kuti
nditi zvaibva pai uye kuti ainge azviwana
kupi ndinganyepa. Chiona kushatisa
kwainge aita kumeso kwake. Ndakaona
hushingi hwake hose, zvose izvi ainge
asina kumbondiitira.
"Iwe Mabasa ukutayra nani izvozvo"
Ndakadero ndasimuka pandainge ndiri.
Ndaitoda kumuvhara nembama chaiyo.
Iye achibva angobata ruoko rwangu zvine
simba.

"Ndinozviziva kuti muri Baba vangu asika


hamufanirwe kundibatao nekudaro. Ndini
mwana wenyu wega. Mumwe chete
akadai zvake. Nemiwo hakunzwe
kurwadziwa nehupenyu hwandiri
kurarama here. Pane kuti mundibvumidze
mave kutondirambidza. Kuchurch kwacho
tingadai tichitoenda tose ini nemi.
Madzinza edu anzewo kuchema kwedu.
Kuchurch ndiri munzira kuendako"

"Kana waenda pano wosimuka zvako. Ini


zvekugara nemwana asingatereri kutaura
kwaBaba vake handibate"

"Ndinobva ndichiend kupi?"

"Chirega kundipindura, handisi mwana


wako ini. Iwe ndiwe unoziva kwekuenda"

"Kana mukandiudza hama dzangu


ndinoenda kunogara ikoko. Kana musina
kundiudza ndinoramba ndiri pano
zvangu." Ndakapindwa nekutya
nekutaura kwaMabasa, zvechokwadi
maone ainge achitanga zvino. Zvichireva
kuti ndiko kutotanga kufumuka kaah uku.
Dai taisavr pamba ndaimudzipa dzipa
chete.
"Iwe chaurikushaya pano chii?"
Ndakataura ndadzikamisa hana yangu.
Uye ndapora pora..

"Mombe dziripo. Chikafu unongodya


madiro" Ndakaenderera mberi nekutaura.

"Izvozvo hupfumi hwenyu not rwangu. Ini


ndinodawo chandinoti changu." Akabva
angondisiya ndangoti kanha, nekwainge
arikuenda handina kuziva. Ndakasara
ndikabata musoro ndikanzwa uchiita
kutema both sides. Mai, maihwe,
maihwekani. Ndainge ndachipererwa.
Murume mukuru ndakamabudisa
maziziso angu panze, akagoti maziso
acho aive akakura. Ndakagara pachigaro
changu uku ndotura befu.

Ndakazosimuka ndoenda kuimba


yemishong yangu. Mushonga yangu
yaigara mudura, ndaida kumbonoifuridza
furidza kuti Mabasa ave anondidzikamira.
Ndasvika kudura ndakabva ndafuridza
mishonga yangu. Ndiko kuzofonera
Mamoyo ndichimuudza kuti auye kugomo.

Ndakaona phone yangu yave kurira


zvekare, mushure mekunge ndapedza
kutaura naMamoyo.

Ndokuona ari Mamoyo ainge


arikundifonera.

"Ko chii zvekare"

"Door racho rikuramba kuvhurika.


Ndofunga Mabasa asiya andikiira
mumba"

"Hezvo kukiira mumba achienda kupi


nhai?"

"Handizive ini."

'Okay rega ndiuye kuzokuvhurira babie.


Haa ko iwe wanga uripi achikuvharira
mumba. Hona manje kuti wakuda
kutangisa maone."
"Ndanga ndakarara"

"Kurara masikati ano here? Eish manje


kuti ndizokuvhurira zvinobuda here?
Vamwene vako ndirikungovaona
vachimbeyereka pachivanze. Listen
babie. Hazviite here kuti ubude
nepawindo"

"Aah nhai Tezvara, ndave svosve here?


Makangamwa here kuti ndinogara
muimba yeround, uye zvimawindow
zvacho zvinongokwana gozho chete'

" ko iye Mabasa wacho aenda kupi nhai"

"Handisi kuziva ini." Phone yakabva yati


dududu kuratidza kuti yainge yapera mari,
ndakazoona kuti yangu ndiyo yainge
yatopera moto hayo. Zvinhu zvacho
zvaitove mashura chaiwo. Haaa
zvaitorwadza kutsanangura. Avawo
vaMuchandiona ndivo vaingombeyereka
pamusha, nechaitsvagiwa unotochishaya.
Iyewo Mamoyo anopererwa zvekudaro.
Chirikumutadzisa kunorova rova door chii
zvekare. Iyoyi chembere iri kumbeereka
handi inogona kuzvinzwawo
ikanomuvhurira here? Zvino Mamoyo
wacho ndomuona sei? Remember
ndaifanirwa kurara naye uye kumubvunza
kuti ainge ave papi nekugura musoro
wenguruve iyi.______
*End Of Chapter*

https://www.facebook.com/100058838586
544/posts/355189703118980/

https://chat.whatsapp.com/J8eJzLc0zvY7
1bEpcaGgY3

*TEZVARA NEMUROORA*
STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 18

*MABHONA'*

Ndikaita zvekutamba Mabasa aigona


kungodzoka anytime uku ndisina kutaura
neMuroora. Kwainge aenda chaiko
ndainge ndisiri kuziva. Ndakaenda painge
pakamira vaMuchandiona ndokubva
ndati.

"Asi phone yenyu yakadzima here?"


Ndakataura mashoko aya mushure
mekunge ndasvika apo vainge vakamira.

"Iri on. Nemhakayei mabvunza.


Mamboedza kundifonera here?"

"Munayo here ipapo"

"Ehe" Vakadero vachivhendenyura


mumupendero mepitikoti umo munova
mavainge vakaisa phone yavo.

"Tarisai kuti iri on here?"

Vakabva vangoitarisa wanike yainge


yakatodzima zvayo. Ndichiona izvi
ndakave nemufaro. Ndakabva ndataura
ndichiti.

"Aaah ko zvainenge yakadzima wani. Imi


mutori neproblem chaiyo. Makaita sei
chaizvo chaizvo. Saka anenge achida
kukufonerai anokufonerai sei imi
makadzima phone. Ndinogara kukuudzai
zuva kuti musadzima phone"

"Ndisiyei zvangu. Munoreva kuti ndini


ndaidzima here? Ndichiidzimira dzei nhai.
Imika. Neni wacho ndanga ndichingoti iri
on ini. Iye phone yacho inenge
yakutopenga. Iyi inenge yave kutof chete.
Huyai timbochinjana muone kuti inenge
yakungodzimawo yega. Chero zvirizvo
ndinofonerwa nani hangu. Asina phone
akatove nani."

Vakadero ndokutanga kuseka havo.

"Muroora amboedza kukufonerai,


atozofonera inini wacho. Anga achiti
asiiwa avharirwa mumba naMabasa
here?"

"Hezvoo kuvharirwa mumba? Saka


izvozvi ndimo maari here? Iye Mabasa
mukati dzichirimo here? Saka kusiya
avharira mukadzi ndiko kuita sei? Heya
muroora akavharirwa hezvo. Ini ndaona
kusamuona ndikati kuda arikugomo izvo
aripano hake" Vakadero voenda
kunovhura door riye iro rainge rakaiswa
chihuri. Muroora akabva angobuda.

"Hanzi waita sei nhai Muroora.


Mambotukana here neMurume wako.
Aaah kk zvinosekesa izvi. Manje nhasi
wanga uchafiramo. Gegege ndaseka
zvangu. Wototenda phone yaTezvara
inogara iri on." Sezvineiwo iye Mabasa
wacho akabva angosvika. Akabva
angouya patainge takamira.

Ndakanzwa vaMuchandiona vave kuti.

"Ko iwe wanga wasiya wavharira mukadzi


kuti zviite sei? Wakupenga here nhai
Mabasa"

Mabasa ndakaona achiratidza


kushamisika ndokubva atarisa mukadzi
wake.

"Aaah inini kuvharira Mamoyo mumba


here? Aaah sorry zvako Mamoyo.
Ndafunga sekuti hamuna munhu ini.
Hameno chandibatawo zvino
wazovhurirwa nani nhai mukadzi wangu."

"Ndini ndatozomuvhurira. Dai asina


kuzofonera Tezvara nhasi aifiramo.
Tezvara ndivo vatozouya vondiudza kuti
Muroora akavharirwa uko" Ndakaona
Mabasa anditarisa ndokubva adzungudza
musoro wake. Ini nechemumoyo
ndakatoita kuridza tsamwa chaiko. Munhu
wepi anosiya avharira mumba nhai?
Kutaura kuno handi tingadai tatopedza
nyaya dzedu here. Kutaura chokwadi
Mabasa ainge andibhowa zuva iri.
,
"Saka iwe wanga waenda kupi?"
Muchandiona akabvunxa mubvunzo uyu,
ndakatofara sezvo ndaitoshayawo kuti
mubvunzo uyu ndomubvunza ndichiti
kudii. Ndaitodawo kuziva kwainge aenda.
Mukati ainge asina kuenda kuchurch
kwainge ataura here? Zvaisafanirwa
kudaro mhani sezvo ndainge ndafuridza
mishonga yangu.

"Ndanga ndaenda kunoona Deke, ndiko


kwandave kutodzokera hangu" Akadero
achienda kunopinda muimba yake
yekurara, achibva azobuda achitora nzira.
Ini ndakangosara ndichihwaira hwaira.
Zvichireva kuti kwainge kwatove kuenda
kuchurch kaaah uku. Ndakaerekana
ndomhanya ndichimutevera.

"Mabasa domirapo" Ndakatanga


kukamhinhira iye achibva angomirawo
hake.

"Murikuda kunoita dzei naDeke


Mwanangu. Kana muchida kuenda
kuchurch madii kuzoti tiende tose next
week mwanangu. Ehe ndazoona kuti
zvechurch ndizvo chaizvo chaizvo
mwanangu."

"Chokwadi here Baba"

"Idi katatu chaiko. Kana zvichigona


tinobva tatopfeka gemenzi chairo.
Tikaenda next week ndinoona zvichibuda.
Umm gara nhasi chishanu here. Eish
manje mbeu iye yebinzi kuti inowanikwa
here kumaShops, ndanga ndichida kuti
unonditengera. Kumatoro uko kunotoda
bhinzi chaidzo sezvo pasi pachiri
panyoro. Kana zvichiiita unogona
kungoenda kunonditarisira Mwanangu."

"Chiregai nditange ndanoudza Deke kuti


tozoenda next week kuchurch." Akadero
achida kutofamba, ndakabva
ndangomubata ruoko. Ndokubva
ndazvishingisa kutaura.

"Mwanangu, Deke unogona


kungozomuona zuva rave kunodoka.
Ndinoona kuti ukaenda kumashops ano
zvinenge zvakanaka. Ukazoda kuenda
mbaye mbaye unogona kuwana dzapera"

"Zviri munzeve baba, chibvai mangondipa


mari yacho kana ndawana dziriko
ndigotenga" Nemashoko aya hana yangu
yakabva yagadzikana. Ndakabva
ndangomupa mari achibva angoenda
kumashops kunonditsvagira bhunzi
dzandaisada. Ndiyo yaitove option
yandainge ndatoona kuti yaigona
kuzondifambira. Pasina kuita izvi kwaitove
kunyura kwangu. Ndaifanirwa kutoona
kuti Mabasa achifa zvino. Maitikiro azvo
ainge asisina kumira kuti twasa,
zvechokwadi kutaura kweChembere iyi
kwainge kwakuzadzikiswa zvishoma
nezvishoma. Mwana uyu ndikaita
zvekutamba aizondiuraya masikati
machena.

Ndadzokera kudare kwangu ndakafonera


Muroora ndomuudza kuti auye kugomo.
Akabva angondiudza kuti aizoita
sekudaro. Ndakaenda kugomo
ndokunomurira ndiri ikoko. Within 4
minutes ainge atosvika hake.
Ndakangosimuka pandainge ndakagara
ndokubva ndati.

"Muroora wave papi nenyaya iya.


Ukutadza kuuraya Murume wako here?"
Ndakadero ndohutisa muromo wangu.

"Ndipei 2 days chete chete Daddy"


"Two days dzakawandisa idzo babie. Iwe
tarisa maitikiro azvo. Chimbozvibvunza
kuti why murume wako akuvharira. Ukati
zviri zvega here. Ini ndinoona sekuti
anenge ave kutifungira. Please ita plan
nguva ichiripo. Kana usingakwanise
ndomuuraya hangu"

"No. Siirai zvose kwandiri. Ndini


ndichamuuraya"

"Ndirikuona uchinonoka kaah nhai. And


hausi kuda kundiudza kuti uchamuuraya
sei. Dzatove 5 days ndadzoka kuChipinge
uchingoruma ruma muromo wako"

"Mangwana ndinomuuraya, batai manzwi


angu. Ndati chii. Mangwana
ndinomuuraya. Mabasa akuda
kutoenderera chaiko. Aiwa ngaachifa
zvake" Mamoyo apedza kutaura mashoko
aya ndakabva ndangomumbundira,
ndakanzwa hana dzedu dzichiita kurova
zvaikunda ngoma kurira. Seyangu yaiita
kupaunga chaiko. Mufunge ndainge
ndisisina kugadzikana ini.

Takazosiyana nenyaya yaMabasa iyi


ndokutanga kudanana hedu,
ndakazomuudza kuti ndaida
kumbozvibetsera. Ndaingoda kuwana
kunozora mushonga wangu panhengo
yangu Mamoyo asiri kuzviona, ndapedza
kuita izvi ndipo pandakadzokera
kwandainge ndasiya Mamoyo ndokubva
ndangorara naye. Ndakamushandira
zvekuti nhumbu yaigona kungobata ipapo
ipapo. Chandainge ndakuda kuti abitire
nhumbu chete chete. Tapedza kurara
tose hatina kuzogara mugomo umu, ini
ndini ndakatanga kudzokera kumba,
ndomhanyira kuti Mabasa ndaigona
kuzowana adzoka. Sezvineiwo
ndakawana asati adzoka hake.
Ndakazonogara kudare ndakamirira
kudzoka kwaMabasa uyo ainge akuda
kundishaisa rugare.

Ndakazosimuka ndodzokera kumushonga


yangu iyo ndakanofuridza zvekare.
Panguva iyi ndakafuridza zvine simba.
Ndaida kumbozorodza pfungwa
dzaMabasa, chezuva iri ndakaita
zvandainge ndisina kumboita.
Ndakanotora hari ndiko kutaura zita rake
ndokubva ndakanda hari iye pasi zvine
simba, yakabva yangotsemuka yose
zvinova izvo ndaida. Ndaitoziva kuti
mushure mekuita izvi pfungwa
yekuchurch yaimbobuda maari, ndainge
ndatodyara rima paari zvekare asika izvi
zvaisashanda kwenguva yakareba
________

*MABASA*
Mukadzi wangu ndakaita kungoita kamww
kakunyumwa ako kandisina kuziva kuti
kainge kabva nekupi, ndisati ndaenda
kunoona Deke uyo ndainge ndafunga
zvekuti tiende tose kuchurch Mamoyo
ndakasiya ndamukiira mumba. Ndaida
kuona kuti ndaizowana arimo here, uye
kana asimo ndaida kuzoziva kuti ainge
aenda kupi? Njere dzangu dzainge
dzakungondiudza kuti something is wrong
somewhere asi kuti ndizvibatanidze
ndakatadza hangu. Ndainge
ndakungonzwawo kurerukirwa pamuviri
wangu. Ndaitonzwa kuti pane
chirikuchinnja, kuti nditoziva kuti
zvaifamba sei ndakatadza hangu.

Zvekuti baba vangu vainge


vakandirambidza kuenda kuchurch
ndakambozviisa paside, kuchurch ndiko
kwandainge ndiri kutozoenda, and
panguva iyi ndainge ndakuzviudza kuti
chauya chauya. Ndaizozvimirira. Kana
vaizoda kundidzinga pamusha
taizotangira ipapo tichienda kumberi.

Ndasvika kumba kwaDeke ndakamupira


nyaya yangu. Ndakaona murume mukuru
achiita kakusekerera ndokubva atarisa
mudenga.

"Ndakuona kushanda kweminamato


yangu. Zuva nezuva ndaingonamata kuti
utendeuke mwana wehama, nhasi
ndazofara sahwira. Mufungo wako
wakanaka, sezvo nhasi chiri chishanu
tingatoenda izvozvi. Iwe chienda
unochinja mbatya dzako. Idzi dzered
hadzidiwe zvachose. Uitewo
uchikurumidza sahwira"

Nemashoko aya ndakaparadzana naye


ndodzokera kumba. Ndiko
kwandakawana mukadzi wangu
avhurirwa, ndakanyepedzera kuita sekuti
ndatodhazuka hangu izvo nyamba kwete.
Taizobatana pane imwe nguva.
Ndaingonzwa mupfungwa dzangu kuti
something is fishy chete, munoziva
zvinoitika here zvekufunga kuti panechiri
kuitika, hameno zvazvingori hazvo.

Sezvineiwo ndakaenda mumba yekurara


ndiko kunochinja mbatya dzangu. Ndave
chinhambwe ndipo pandakaona mudhara
wangu ondimhanyira, chakandifadza
akataurawo zvekuchurch zvandainge
ndamuudza, zvichireva kuti Baba ava
vainge vakudawo kunamata Mwari
zvinova zvakandifadza, ndakambotanga
ndichiramba ndiko kuzobvuma zvavainge
vanditaurira, kuchurch kwacho
taingozoenda pamwe chete semhuri next
week yacho sekutaura kwavo. Kuenda
kuenda, chikuru taenda kuchurch.

.. Ndasvika kumashops ndakatanga


kumbeya nemashops ndichitsvaga bhinzi
dziya asi handina kukwanisa kudziwana
hangu. Kumba ndakazodzokera zuva
rave kutodoka chaiko uku ndichingova
maoko chete. Ndasvika kumba
ndakaudza Baba kuti ndainge
ndadzishaya ndokubva ndangovadzosera
mari yavo.

Ndiko kuzotora nzira yekumba kwaDeke


uyo ndakawana ave kutobika sadza
remanheru.

"Kahi wakaita sei iwe. Umm nhasi


wanditamba yakaora, kutotadza kutoenda
kumasowe ndichiti uchadzoka. Iwe kana
kudzoka hako. Unoreva kuti wanoshaya
hembe dzekupfeka here? Neniwo
ndinazvo. Handi ndingadai ndangokypa
mbatya dzangu here. Tingori nemuviri
yakangoedzana wani. Izvi ndatozosara
ndozvifunga mushure mekunge waenda"
Akadero ave kumona chipoto chesadza
chaive pamoto. Ndakabva
ndangomurondedzera zvose zvainge
zvaitika.

Hapana kana chimwe chandakasiya.


Ndapedza kumurondodzera, Deke
akaratidza kuvhunduka uye kushamisika.

"Hezvoo saka wabva watozvibvuma here


nhai? Iweka changamuka ukunzwa. Next
week yekuita sei. Mangwana chaiye
tinofanirwa kutoenda kumba
kwaMadzibaba, kana tichizoenda next
week naMudhara wako tinoenda here asi
mangwana tinenge tabvako."

"Handioni zvichiita Deke"

"Chisingaite chii apa"


"Ndinenge ndarasisa Baba vangu. Rega
tingomirira next week yacho. Ko next
week kure here? Inga nhasi chishanu
wani nhai vakomana."

"Alleluya amen. Zvakaoma chokwadi.


Mabasa kaaah. Mabasa kaaah.
Zvawanga wambobvuma wani. Ko izvi
zvakubva nepi?".

" hezvoo asi yatove mhosva here? Ini


izvozvo ndizvo zvandisingade hangu.
Handizvide zvangu zvekutongeswa
tongeswa nhema. Inga ndiri kungotaura
zvinonzwikwa wani. Aizve aizve.. Ita
mushe..ziva pekugumira. Tinoenda next
week inga zviri kungonzwikwa
wani.."Ndapedza kutaura mashoko aya
ndakabva ndangosimuka ndokuenda
kumba kwedu.Deke ndakamusiya
angobata musoro, Ndakatoona kuti
ndikaramba ndiri pamusha uyu paizoitika
zvimwe chete. Deke aitove nemhepo
dzaitomuteverera chete, handione sekuti
aive normal ini. Kuita kwake
kwaitondibhowa dzimwe nguva. Ugoona
dzimwe nguva anomboita semunhu ari
right..ndinofunga zvaimbomubata
zvichimuregedza. Mushure mekunge
ndabva pamusha paDeke ndakatanga
kungonzwa kupera simba, handina
kutoziva kuti chii chainge chavekuitika
mandiri, ndasvika kumba ndakangosvika
nekuenda kunorara __________
*End Of Chapter*

https://chat.whatsapp.com/J8eJzLc0zvY7
1bEpcaGgY3

*TEZVARA NEMUROORA*
STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 19

*MUCHANDIONA*
"koso koso. Hutsi" Ndakanyepedzera
kukosora, ndokubva ndatanga
kushanyarika hangu uku ndichiswedera
painge pakarara murume wangu uyo
ainzwikwa kufema. Ndakabva ndatanga
kumubata bata, ndaingoda kuti amuke
chete. Kunze kwainge kwave kutoedza
kaah uku. Ndaivewo munhu wenyama
kaah ini.

Ndakanzwa murume wangu amira kuridza


ngonono zvichireva kuti ainge amuka, ini
ndakabva ndatanga kukosorera kuti
zvityise.

"Imwa mvura Muchandiona, zvimwe kuda


chikosoro chako chingapera. Uri
kunditadzisa kurara mushe"

"Aaah" manzwi akaramba kubuda


ndokubva ndatanga kukosorera.

"Nhai Baba Vemusha muchiti chikosoro


chacho chiri chega here? Chiri kutoda
mushonga ichi. Honai kunze kwakutoedza
kaah uku."

"Ehe ngakuedze tione zvirongwa


zvatingaita. Zvino mushonga wacho
unomuwana kupi? Mangwana wotomukira
kuchipatara" Baba ava vaitondipengera
chete. Handifunge kuti vainge vakaenda
kuchikoro. Chero vaive vakaenda tsumo
nemadimikira ndinoona sekuti hapana
chaizikamwa, zvino zvaizoita here kutaura
kuti ouyai pedyo neni. Ndokusaka
ndainge ndazotaura nechibhende.
Zvino murume wacho ainge ave kuda
kutondiomesera musoro. Ndainge
ndagarisa ini. Zvinozoda here kuita
sewakafirwa iwe murume uinaye. Ainge
ave kutokwana mazuva mashanu
murume wangu adzoka kuChipinge tisina
kumboshanyarika. In fact mazuva aya
zvinenge zvaitoshura chaiko.
Zvaisaenzaniswa nakare, kuita kwedu
bonde kwainge kwave kushoma. Kuti nditi
ndechino chaikonzeresa kuti zvidaro
ndinganyepa.

Murume wangu aenda kuChipinge


ndakasara ndichidzidzira zvimwe
zvidavado, ndichiti murume wangu
paanodzoka ndimupe zi surprise. Zvino zi
surprise racho rinoitirwa ani zvake iye
munhu achingopinda mumachira
nekutotanga kuridza ngonono. Chero iye
anenge aswera achifudza mombe
anosara pasi.

"Baba Mabhona' asi usadaro murume


wangu" Ndakadero ndamuka ndokubva
ndazembera kumadziro.

"Heya saka ini zvandinonzwa hauzvinzwe


here? Kana wakadero unenge
wakatoroiwa, manje nhasi akakuroya
ndinoda kumukaurisa" Ndakabva
ndabatidza kenduru, mumba mose
ndokubva maita chiedza. Ndakabvisa
murume wangu jira iro rainge akafukidza.

"Ko chii zvekare" Akadero achiedza


kutora jira riya ndokubva ndangorikandira
kwakadero. Sezvo ndainge ndakapfeka
night dress chete ndakaribvisa ndokusara
ndati hweru. Ndaiti zvimwe murume
wangu aizotora action asi ndakatoona ave
kutokotsira hake.

"Iwe iwe muka apa. Haisi nguva yekurara


ino" Ndakadero ndatomugara
pamakumbo ake. Ndakatoona kuti
ndikaita zvekutamba ndaizofa nenyota
makumbo ari mumvura. Ndakatanga
kubata bata murume wangu kusvika
abatira magetsi zvinoda izvo ndaida.
Vanhu ivava vanoda kutobatwa mushe,
ukaita zvekutamba gore rinogona
kungopera uchizvionera kuhope.
Ndaona kuti murume wangu ainge adyira,
ndakazorara iye ndokuuya pamusoro
pangu, ndokubva tatanga kuita
zvevakuru. Semunhu ainge agarisa
ndakaita kunge ndichabata gotsi. Akagoti
wangu murume aive nechipo zvake. Haa
pane wangu murume waisapa ma
complaints, chakangozondibhowa
kukurumidza kuparara kwake ini ndichiri
kuda. Ndainge ndajaira malong minutes
kaaah nhai? Murume wangu akabva
atorara apa ndisina kumuitira zvidavado
zvacho. Ndaitoda second chance.
Hazvina hazvo kumbondirwadza,
ndaizomuitira rimwe day. Chikuru ainge
aratidzawo kuti ane munhu mumba kwete
kuita sekuti akarara nehanzvadzi yake.
Ndichongopinda mumachira hope
dzakabva dzatondibatawo, mangwana
acho ndakatozomuka kunze kwachena.
Ndakatarisa nguva ndokuona dziri
kuma11 dzemakuseni.

"Yoweee, kurara kuri koga here uku"


Ndakataura mashoko aya ndokutanga
kuseka hangu. Ndaingoseka uku
ndichigadzira pamubhedha, ndiko
kuzobuda panze apo ndakasangana
nemuroora wangu uyo aitobudawo
muimba yekubikira.

"Mamukasei Vamwene, ndanga ndototi


zvimwe marwara kaaah ini."

"Tibvirww zvedu. Iyeni ndiri type


yekurwara here kkkk. Aaah iwe ndisiye
zvangu. Haaa chiri mudzimba umu
chinonakidza muroora. Vamwe
vachamuka vakafa chete'

" muchireverei nhai Vamwene"

"Aaah mhanyisa njere muroora. Inga


wakaroorwa wani nhaiwe. Heya iwe unoti
kunonoka kumuka zviri zvoga here.
Gegege ndaseka zvangu. Saka mumba
menyu mabikeiko. Ini kutomuka
nekunzwa nzara chairo. Ndikunzwa nzara
mbishi."

"Ndabika hangu sadza"

Ndakaita kubata muchiuno ndokubva


ndamutarisa uku ndarerekera musoro.

"Iwe Mamoyo wabika sadza. Ukurevesa


here? Ndiani akuti ubike sadza hee. Rice
rakapera here? Ini ndinoda rice iwe
hauzvizive here nanhasi."

"Tezvara ndivo vati ndibike sadza"

Ndakatanga kusekenyeka sekanzenza.

"Heya kana varivo vati ubike hapana


chakaipa Muroora, asi ini sadza handiride
zvangu. Especially ndanonoka kumuka
kudai. Ndinenge ndichitoda rice, inhamo
zvayo asi rice racho ndinenge ndichitorida
nezvichicken paside. Ndozvidyira zvangu.
Ini zvekungodya chikafu chiri junk handidi
baaa, ipapa sadza racho rine mufushwa.
Zvepano unoseka ukaridza muridzo
ukatamba bheriya. Ugoona hyku dzakati
fararira nechivanze, chisi chako Masimba
mashoma. Ini ropa rehuku handina, ivava
Tezvara ndivo vakazadza huku pano, asi
kana rimwe zuva ravanoti obatai iyo.
Zvinozoda here kubata zvinhu zvevaridzi.
Haa asi rimwe zuva iro yemusvuu
ndinoiseva chete. Haa ndofunga gore
iroro ndinodzingirirwa nesanhu, eeeh
zvandingatoita kuitema nedombo
pandinenge ndichisuka kana kuirumisa
neimbwa. Gegege zvaTezvara vako
vanogona kungoti ngaifutsirwe"

Muroora wangu ndakaona ave kuita


kuseka sekanzenza, ini ndokumutarisa
uku ndosekenyekawo.

"Muroora huya pano padhuze neni. Eeeh


wave nenhumbu here shamwari. Pakati
muzukuru apa, ini zvekucharamba
ndosheedzwa nezita handidi, dai iya
nhumbu isina kubva yokera inotevera iyo
ndave kutonzi Mbuya anhingi. Chave
kungofadza unozvara hako. Ini ndaiti
hauzvare kaah, heya hwaive husimbe
hawo or maiita zvajongwe nemurume
wako. Haa asi Mwari akakuona iwe
ndaisafunga kuti tichapinda uno mwedzi
uri pano. Ndaitoda kukudzosera kumusha
kwako straight, munhu asingazvare
ndaimuchengetera zvipi hangu. "

Mudumbu mangu makatanga kurira,


yainge yave nzara iyi. Ndakapinda
muimba yekubikira ndokupakura sadza
pamwe chete nemazai aive muchihari.
Ndakangodya misuva mitatu ndainge
ndatoguta, aiwa kwete kuguta, ini
zvinonaka ndaizvida hangu. Sadza racho
ndakanorivharira kusherefu. Raizodyiwa
naiye muroora ainge abika. Ndapedza
kudya sadza ndakanwira mvura
ndokutorara hangu pabench uku
ndofunga zvainge zvaitika usiku
hwapfuura, ndakaerekana ndave
kungosekerera hangu.

Ndakatozomuka zuva rave kutopinda


muna Amai varo, ndichingobuda mumba
ndakasanganidzana neMuroora uyo aibva
kuChikomo achinanaidzana nemurume
wangu..

"Murikubvepi?" Ndainge ndachibata


hangu muchiuno.

Murume wangu akabva auya pandainge


ndakamira.

"Tirikubva kuGomo Muchandiona"

"Ehe ndazviona hangu kuti murikubva


kuGomo. Manga maenda kunonamata
here? Heya imi nemuroora ndimi
munotenderwa kuti kwaziwai Yesu. Ini
naMabasa pano kungodya chikafu
nekuenda kutoilet chete"
"Muchandiona unotaurisa too much.
Zvaari muroora wako uyu wandanzwa
achichema nemudumbu. Saka ndiye
wandanga ndanoratidza hangu mushonga
wacho."

"Zvino mushonga wacho urikupi"

"Muti wacho tanoushaiwa. Unogona


kumbodzokera naye ukanomubetsera
kutsvaga"

"Evo ndisiyei zvangu. Kkk zvino vanhu


vakakuonai makadungamidzana
vanofungira zvakawanda kaaah nhai. Imo
mudumbu mako muroora matanga
nguvaiko"
"Manje manje Mhamha"

"Aaah ukati regai ndiende nedhara irori.


Iweka ko rikakufungira zvimwe ikoko
unotayra uchitii. Ko rikakubatisa chitsiga"
Ndakatanga kunanaidza muroora wangu
uyo aive akazara masora. Manzwi
akaramba kubuda ndokubva
ndangobubudza maoko angu. Zvimwe
kuda kwaivewo kungofungira kwangu.
Ndakabva ndatobvisa mufungo uyu
mandiri. Zvandainge ndafungira handione
kuti zvaigona kuitika pasi pano
pezuva.___________
*End Of Chapter*

.
.kana urikunakirwa nebuk chingonyoraw
pastatus kuti Tezvara nemuroora kuseri.
Tora scre een yechapter ino woisawo
pastatus, muzasi mepic ndimo moonyora
kuti Tezvara kuseri.... Vaita izvi
mongopawo kule c picture kkkk kuratidza
kuti wapedza masports
https://chat.whatsapp.com/J8eJzLc0zvY7
1bEpcaGgY3

*TEZVARA NEMUROORA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 20

*MAMOYO*
Ndakadzokera zvekare kumba
kweChembere iya, ndaida kunoona kuti
chichembere ichi chainge chisina kudzoka
here? Ndainge ndatove stressed ini.
Mabasa wacho ndaizomuuraya nei
nhaimi. Haa zvinhu zvacho aitove
makwikwi chaiwo.

Sezvineiwo ndakawana pamusha pacho


pachingove nevazukuru chete.

"Nhaimi chiGogo chenyu hachisati


chadzoka here? Inga chinopenga. Asi
chatokangamwa kuti kuno chakasiya
vanhu here?"

Ndakadero ndopfinyamisa kumeso


kwangu kunge ndaona tsvina. Ndakaona
zvizukuru zvonditarisa ndokuzotorisana
uku zvodzungudza musoro.

"Ndipei phone number dzavo


ndivafonere" Muzukuru mukuru uyo aive
musikana akabva aenda kunotora bhuku
rake rekuchikoro umo munova mainge
akanyora number dzaGogo vake.

Ndakaisa number dziye muphone mangu,


ko airtime yainge yakazara kaah. Imwe
ndaitoshaya kwekuiisa hangu. Dadyy
Mabhona vaive caring neni
zvinotondinakidza, airtime vaiita
yekuyamwira zvavo. Haa hakuna kudiwa
kunodarika apa maguys angu. Regai
ndaida kuuraya uyu Mabasa, regai zvife
zvizorore. Vanosara vachidanana
vadanane zvakanaka pasina
kuvhiringidzwa havo.

Ndakadialler number dziye phone yavo


ndokubva yapinda. Ndakanzwa Gogo
vave kudaira.

"Ndiani uyu andifonera. Ndiwe Getu


muzukuru here? Chikafu chakapera here.
Aizve chakapera nei? Asi makaitisa
maricho here? Inga ndakakusiirai kapu
mbiri dzeshuga, eeh kapu mbiri dzerice.
Hupfu magaloni maviri. Kandi mukubika
sei? Vanhu vatatu ndivo vangapedza
chikafu pasina two weeks here? Manje
muchafa nenzara..." Ndakabva
ndavagama, ndakatoona kuti airtime
yangu yaitozopera chembere iyoyi
ichiropodza nezvechikafu. Ndakabva
ndati.

"Eeeh Gogaz murisei zvenyu.


NdiMamoyo arikufona."

"Hoo uyu wandakapa mushonga


wekuuraya here. Eeh zvakafamba mushe
here? Kkkk kungotaurawo hangu asi
wangu unouraya ipapo ipapo"
Ndakafamba ndobva pedyo nevazukuru
ava, nyaya dzacho dzainge dzakakora
muto. Dzaisada pane ndumure dzaiyerera
madzihwa.

Ndakaenda kunomira pedyo nemumengo


waive pamba apa.

"Zvirikupi nhaimi Gogaz, mushonga uya


kwandinoziva kuti wakarashikira kupi.
Haa maone zvechokwadi. Izvozvi ndanga
nditori pamusha wenyu kuti mundipe
mumwe, ndipo pondonzwa kuti makaenda
Mwenezi. Munodzoka rini Gogaz"
Ndakanzwa Chembere iya yave kuti.

"Iwe Mamoyo kuita kwako


kunoshungurudza wena. Uri Moyo ipi
iyoyo. Moyo yandinoziva haina
kudzungaira sewe. VanaMamoyo
vandinoziva vakati changamu changamu.
Unoyera Moyo here iyewe or
wakangozvitumidzawo kuti Mamoyo. Dai
waiziva kuti mishonga iyi kwandinobva
nayo kure kwaxvo waindinzwira tsitsi.
Hameno kuti uchaita sei, ini handina
mushonga wandichakupa"

"Hii musadero zvee Gogaz, mistakes are


common hamuzvizive here. Ndinokupai
mari yamunenge mataura Gogo. Nditori
pamaone chaiwo."

"Ipa vazukuru vangu 50 USA"

Vakadero vasiri kana kukamira havo.


Chembere iyoyi yaidisa mari. Ndakatya
nazvo hangu.

"Imi munodzoka rini Mwenezi"

"Haa ndichiri kuno ini. Ndofunga kupera


kwemwedzi chaiko."

"Zvino ndikavapa mari yacho, vazukuru


venyu ndivo vanobva vandipa mishonga
yacho here" Ndakabvunza ndichida
kuziva hangu.

"Aaah mishonga yangu ndinofamba nayo


kuitira emergency, ndinozokupa kana
ndadzoka, iwe chingopa vazukuru vangu
mari iyoyo. Eeh half yacho vaudze kuti
vatenge zvavasina mumba, half yacho
vaise pasi pepillow, iyoyo vasabata
zvavo. Eeeh ndinoda kuzoitengesa
zvinonaka zvangu."

Ndakatoita kuridza tsamwa


nechemumoyo. Emergency yei, isu tiri
kuno tisu tinotosara tichiita emergency
kaaah nhai akomana, ndakakata phone
yangu ndokubva ndadzungudza musoro
wangu. Mari yangu yaigona kungoendera
mahara apa, imagine munhu aidzoka
kupera kwemwedzi haaa painge paipa,
zvino ndoita zvipiko nhai Mwari.
Chokwadi ndainge ndave stressed pluc
confused.

Musoro wangu wakatanga kutema,


mumukamwa muchibva maona.
Ndakakumbira mvura yekumwa ndiko
kuzonzwa zviri nani.

"Hanzii naGogo" Akadero uyo aive


mukuru wacho. Ndakaerekana ndoda
kumukakata mazheve ayo ainge akakura
kunge mashizha emuriwo. Dai ndisina
kuzvidzora ndaimakakata chete.

"Ndiitire mushe, tarisa zvachinoita.


Chinongomisa kuipa kunge hameno
hameno. Ini manje ndini spokesperson
wenyu naGogaz wako. Wakadii kuvaudza
kuti Gogo tengerei phone kana waiziva
kuti uchazoda kutaura navo. Ndiitire
mushe zvako"

"Sorrii henyu"

"Ita uende kunogeza apa, musikana


mukuru anonhuwa ziya kudero. Watokura
zvawadai. Chero ivo vanoti hesi babie
vane madhimoni. Imi zvivana imi
munoumburuka nevhu munotenga sipo
here pano. " Ndainge ndakungorotomoka
kuita sedzisimo. Ndainge ndakupedzera
shungu dzangu kuzvivana izvi.

"Ooh Jesu Kristu" Ndakataura ndega


ndokubva ndatarisa mudenga
ndokuzotura mafemo.

"Asi Gogaz wenyu anopenga chete. Saka


anoti isu tinosara towanei kana achifamba
nepasuro yose. Haaa haasi serious
zvachose. Haaa ndatya naye hangu".

Ndakataura ndega ndotora nzira


yekudzokera kumba kwangu. Ndiri
munzira ndaingoridza tsamwa, ndosvika
pachivanze ndipo pandakatambirwa
naMabasa,

"Urikubvepi nhai Mamoyo" akadero


achiuya kwandiri.

"Iwe ndiitire mushe. Saka ndotadzawo


kumboona nzvimbo here"

Ko ndaigozivei kuti ndainge ndadenha


mago. Mabasa akabva angouya pandiri
ndokubva andishonyorodza ruoko
rwangu. Chokwadi Mabasa wandainge
ndajaira ainge achinja, ko ndainge
ndajaira kungomuitira yese yese kaah
ndichiti akadzungaira.

"Watii? Unoziva kuti ndinokurova iye


zvino here? Unodherera haikona. Ndati
wanga uchibvakupi. Kana usina
kutondiudza ndiri kutozokurova chaiko"

Akadero asiri kana kuseka zvake, ini hana


yangu yainge yakupaunga zvino.

"Hauna kundinzwa here?"

Panguva iyi ainge atsvukisa maziso ake,


ndikaita zvekutamba ndaigona
kungodirwa mbama ndikaona rima
masikati machena.

"Aaah ndanga ndaenda kugarden.."

"Kugarden ndiko kwandanga ndiri.


Urikundinyepera kaah"
"Mabasa ukundivadza kani. Rega
ndikuudze chokwadi. Ndanga ndanga
ndanga, ehe ndanga ndaenda kumadziva
uko"

"Wanga uchida kunodii?"

"Ndanga ndichida kunodhidha hangu.


Sorry kani Mabasa, handichazvipamidza
zvekukupindura zvekare"

Mabasa akabva angondiregedza


ndokubva aridza tsamwa.

"Saka wazodhidha kwacho here?"

"Haa handina ini, mvura yacho yanga


ichitinhora iyo."
"Maximum, iwe sekuona kwako unoti
ndatobvuma manyepo ako here? Hoo
nhai kufunga kwako. Mamoyo something
is fishy somewhere izvi ndizvo zvandiri
kuziva hangu. Tichabatana soon."

Ndakasara ndotura befu iye odzokera


paive akagara, nhai Mwari maone aye
ainge otanga zvino. Zvichireva kuti
Mabasa ainge ondifungira here. Nhaka
hangu. Uyu ndiye wandakuda kutouraya
zvino. Asika kuti ndimuuraye ndoita seiko,
ndakaenda muimba yangu yekurara
ndodzamisa pfungwa kuti Mabasa
ndomuuraya sei asi ndakatopererwa
chaiko.
Mazuva maviri akasvika pakupera
ndichishaya kuti ndomuuraya sei, rimwe
zuva ndipo pandakafunga zvesanhu
chairo. Pandakaona ave kubva
pachivanze ndipo pandakatora sanhu
rangu ndomutevera, ndaimutevera uku
ndichihwanda nezvikwenzi hangu. Painge
ave pakahwanda ndipo pandakati
ndinomutema uyu Deke akabva
angoerekana abuda nemberi kwake.,
handina kutoziva kut ainge abva nekupi?.
Ndakamhanya ndodzekera kunohwanda,
uku hana ichiita kubika manhanga, luck
Deke wacho haana kunge andiona.
Ndakaridza tsamwa kasingaperi ndiri
muchikwenzi ichi, ndakambofunga
kungovapfuudza vose vari vaviri ndiko
kuzozvidzora hangu. Chokwadi ini ndini
ndainge ndave pamaone, ipapo
ndakaona message yopinda muphone
mangu ichibva kunaTezvara, ichiti..*Uripi,
wave papi nenyaya iya*, ndakabva
ndangovaudza zvainge zvabva mukuitika
vachibva vangonditi..*yaaa good idea
iyoyo. Kana zvikanetsa unongomudzipa
akarara babie mazuva ari kupindana
chasara kubatiwa. Nhasi manheru chaiye
ona kuti wamudzipa kana zvanetsa
unongomuponda nemupinyi akarara
kudaro. Zvife, Iyo yesanhu handi yaramba
here? Iye Deke wacho anongoerekana
abudikira semudzimu ndiko kudiiko.. Nxaa
,* ndakabva ndangoti okay darling
ndokutanga kunyemwerera, iyo method
ndiyo yaitoshanda manje______
*End Of Chapter*

_
_

https://chat.whatsapp.com/J8eJzLc0zvY7
1bEpcaGgY3

*TEZVARA NEMUROORA*
STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 21

*MABASA*
Mushure mekunge ndamuka ndakatanga
kunzwa zviri nani. Simba iro randainge
ndisisina ndainge ndakutonzwa kuwanda
mandiri. Ndainge ndatove fit ini.
Mukadzi wangu ndiye wandainge ndave
kufungira kuti pane zvainge ari
kundivanzira chete. Asi kuti ndizive
ndechino ndakatadza, njere dzangu
ndidzo dzaingondiudza kuti something
was wrong somewhere, mamovements
ake ndainge ndisingachamanzwisise
hangu. Uye kungochinja chinja kwake
ndiko kwaindityisa, mangwana anenge
akandidzikamira mangwana acho
anondipindura rough.

Paya paakataura zvekubva kumadziva,


ndaingoziva hangu kuti ainge ari
kundinyepera. Ndaitoda kutomborova asi
ndakazvidzora hangu. Zvinoratidzawo
kusavawo nechiremera nemukadzi wako.
Asi muchiti zvaizoenda nepi nhaimi.
Mushure mekuziva zvainge zviri kuitika
ndaizomurova chete, or kwaingove
kufungirawo kwangu kwemunhu aive asiri
kuenda kubasa. Mazuva aya zvaive
zvakadzora, ndaiswera pamusha kubuda
nekudoka kwaro. Kumushando zvainge
zvakandidhakwira handidi kunyepa
hangu.

Baba vangu ndivo vandainge


ndangomirira kuti next week yacho
neChishanu tigoenda kumasowe uko
kwavainge vazvitaurira nemuromo wave
mbune. Ndaiziva hangu kuti mushure
mekuenda kumasowe hupenyu hwangu
hwaizochinja, chokwadi zvaive pandiri
zvihombe. Ndega ndaitozvinzwa kuti
handisi ndega pandiri. Zviriko izvo guys.
Unenge uchingonzwa kuremerwa chaiko.
Rima chairo ndiro raive pandiri pluz
mweya yetsvina, situation yako ndiyo
inongokuudza kuti izvi hazvisi zvega izvi.
Worse pakurota vanhukadzi apo.
Mufunge kare ndaive ndakavharika
chaiko. Ini ndaingotiwo ihopewo asi
ikozvino ndipo pandave kutozviona kuti
izvi zvine chirevo.

Ndainge ndakagara pamumvuri


wemutamba, ndipo pandakafunga
kunoona bhururu wangu Deke, ndaida
kunoona kuti ainge ari kuzvigona sei?
Semunhu aisavrwo nezvekuita ndaida
kumbopindiwawo nemhepo.
Ndakasimuka ndotora nzira yekwaDeke
ndipo pandakasangana naye munzira.
Hameno kwainge arikutoendawo hake.

"Aaah ndiMabasa here uyu. Shamwari


ndanga ndichishaya kuti ndokuona sei?
Zvandakuona kudai zvanaka. Nhasi
ndamuka ndichingonamata kuti dai
zvagona tasangana bhururu. Sezvineiwo
minamato yangu yabva yapindurwa"
Akataura mashoko aya mushure
mekunge andikwazisa,
ndakamukwazisawo ndokutanga kuseka
hangu.

"Zvino wadii kuuya kumba kwangu. Heya


unondiudza kuti kumba kwangu
haukuzive here?"
"Haa ndinokuziva hangu. Haa kusvika
kumba kwenyu kurikure neni Mabasa,
kusvika ndinotodawo asi ndinonzwa
kungoremerwa so. Hameno
zvazvinongoita soo"

Akadero ondicherechedza achitaura


mbatya dzandainge ndakasimira, aiita
kunge pane chainge ari kutsvakurudza.

"Zvino zvawandiona chindiudza kuti


wanga uchivararira chii chaizvo chekuti
usangane neni. Wanga uchida
kundiudzeiko. Hope haisi yekuchurch.
Haa uko tinoenda nefriday hazvingaite
kuti ndiende ndinamudhara, hope haisiyo
nyaya yacho coz tikatoudzana zvimwe
pano." Ndakaona Deke akudzungudza
musoro wake ndokunyepedzera
kusekerera izvo zvandakaonawo neangu
meso.

"Aah zviripiko. Uchiti ndezvechurch here


bhururu. Ndanga ndichida kuti
undiperekedze kune mhandara iya,iyi
zvee yekwaSabhuku. Iwe unoziva kuti
handina mukadzi wani. Paari ndipo
parikurovera hana yangu. Zvino ndanga
ndichidawo heropo yako bhururu, ini
pafeya ndiri kukwata. Ndiri kutya
kumusvikira, nerunako rwake rwuya
handifunge kuti ndingabudisa kana shoko
rimwe chete zvaro. Chokwadi ndingaite
zvimwe ikaita breaking news"
Ndakaseka dzamara ndabudisa misodzi
hangu. Chokwadi Deke aitove imwe type,
haa ainge andinakidza chokwadi. Ini
zvangu ndainge ndatogarisawo ndisina
kumboseka, ndakapedzisira ndogara pasi
ndiko kugegedzera chaiko. Aindiona
aigona kungofunga kuti ava baba watove
mupengo. Haitadza kufungira izvozvo
sezvo masekero acho andaiita aikunda
ngoma kurira. Ndinoona sekuti wangu
Deke ainge ave kutondifungirawo kuti
ndakupenga. Ainge angondiyeva uku
akarerekera wake musoro, ndakaona iye
ave kusekawo, apa ainge akuseka
masekero angu.

"Iwe Mabasa saka zvandataura ndizvo


zvaita kuti useke kudaro here? Haa
wakanyanya wena. Kuseka dzamara
wazvigadzika muvhu here"

Ndakatanga kuseka zvekare ndiko


kuzonyarara papera chinguvana ndoti:

"Deke nhasi wazondinakidza, heya uyu


Jukende ndiye wauri kuda here? Ndiye
wauri kuti burutifuru here? Iwe wakuda
kuvezwa maziso ndokuona zvangu. Haaa
zvereal Jukende haiite. Haaa pafair
chaipo"

"Haaite nekuda kwei? Haaitire iwe


shamwari. Ini anotonditadzisa kurara
mushe. Iye nezuro chaiye ndakarara
ndichingofunga iye mbune. Mumaziso
angu ndaingoona Jukende, haa
ndakapedzisira ndazviudza kuti nhasi
chaiye ndomusvitsa shoko. Ipo
pawasangana neni ndanga nditori
munzira kuenda kumba kwavo."

"Hoo.. Haa makanyanya wena"

Ndakaonawo Deke akuseka zvake.

"Haaa zvechokwadi Jukende haaite,


chero ndikapiwa mahara ndingaramba.
Asi ini hangu semunhu asina mukadzi
ndiri kuda kungowana pekupotera, muno
muraini ndinotoona semunhu aribhoo.
Waisepi rumww rudhende urwu, huu
muno ndimo machinobikwa chihure. Haa
vemuno vanoda sando dzavo. Anyway
tanga tiri panyaya yekuti undiperekedze
kaaah wazotii nazvo"

"Zviri munzeve ngatiende kwacho."

Ndakataura mashoko aya ndosimuka


pandainge ndakagara, ndakatanga
kunanaidzana uku tichitaurawo dzimwe
nyaya dzingori general.

Tati fambe fambe ndakaona Deke ave


kuda kutora nzira yepamusha
paMadzibaba Reza, ndakaerekana ndoti.

"Ko iyi yave ipi zvekare, heya Sabhuku


ave kugara apa here? Iwe Deke
kwaSabhuku ndeuko."
"Ndirikunzwa nyota. Pahuro paoma, uchiti
ndikatadza kuziva kunogara Sabhuku
here. Apa ndirikuda kukumbira hangu
mvura yekumwa, iwe hausi kunzwawo
nyota here bhururu"

"Deke hausi urikundinyengedza here.


Minyati yako ndaiona hangu. Zvichireva
kuti wanga uri kundinyepera here nhai?"

"Kutii. Mabasa ita semunhu mukuru.."


Haana kupedza kutaura Madzibaba Reza
wacho uyo aitosvikawo pamba pake
akabva adanidzira.

"Svikai henyu vakomana,"

Ndakaona Deke ave kunditarisa


ndokubva ati.

"Hande kani Mabasa, iwe kana usingade


kunomwa mvura unorega hako. Ini kuti
ndisvike ndega zvinonetsa pluz
zvinozopawo muono wakaita sei kana
ndokusiya uri pano ini ndichisvika ndega
pamusha wevanhu."

Ndakangobvumirawo hangu, ndokusvika


pamusha paMadzibaba Reza.

"Aaah kondiwe Deke. Wagona wena


wauya nemukomana uyu. Regai ndipfeke
gemenzi rangu tiende pakirawa"
Vakataura mashoko aya vachitopfeka
magemenzi avo ayo aive akaiswa
kumadziro epanze eimba pachipikiri.
Ndakatarisa Deke ndokubva ndati.

"Heya Deke ndizvo zvawandifungira izvi.


Wakaoma hako. Ini handisi kuzoyereswa,
ndinenge ndaputsa chitsidzo chandakaita
nababa vangu. Kana wauya neni
uchifunga kuti ndichabvuma wairasa, ini
handisi kuzoyereswa. And uri nyoka
chaiko. Nxaaa" Ndainge ndasvotwa
kusvika pamongo chaipo. Ndapedza
kutaura mashoko aya ndakatendeuka,
ndainge ndatofunga kutora nzira yekumba
kwangu.

Ndakanzwa Deke ondibata ruoko rwangu


ndisina kwandainge ndasvika.
"Mabasa wakura pauri iwe. ZvaJukende
ndanga ndiri kutonyepa, ipo pano ndipo
pandanga ndiri kuda kuuya newe.
Ndakuona kuti ndikakuudza ungaramba,
zvino ukadzokera usina kuyereswa
zvinobetserei. Uye Madzibaba
vanozofungei nhaiwe. Ini ndiripo
pakukuyambutsa"

Ndakapererwa handidi kunyepa,


chokwadi Deke ainge andigona.
Ndakashaya kuti ndoita sei ini. Kuti
ndiende kumba zvaitonetsa,
ndakapedzisira ndazvishingisa, zvainge
zvakangooma hazvo.

"Chitanga iwe" akadero Deke .


"Iwe Tanga, ini ndotevera"

"Let's hope hausi kuzotiza. Kuti


zvisanetsa.Saka hande tose" Akataura
mashoko aya ndokubva
tangodungamidzana toenda pakirawa,
tasvika pakirawa Madzibaba vaye
vakatanga kuti.

"Nguva yose yawanga wakamira apo


ndanzwa tsitsi mwanakomana." Vakadero
Madzibaba vaye voreva inini.

"Handina hangu mashoko ekutaura,


ndichakupa muteuro wekunogeza.
Mushure wakageza muteuro uyu
ndichakuda kusangano nechishanu. Deke
urikundinzwa here. Kusangano uchaona
kubata kwedenga, ndine nhau
yemukomana uyu. Parizvino ndanzi
ndimire zvekutaura, mushure ageza
muteuro uyu wandave kumupa
ndichamupa kusangano uko
kwandichataura. Ini handizezi nyika
kutaura nokuti ndakatumwa kutaura.
Chokwadi vanhu havana tsitsi.
Mukomana Baba vako varikupi"

"Variko kumba"

"Ndavaona zvangu vakagara mudar... Asi


aaaa eeeh zvehupenyu zvakaoma. Iwe ita
zvandakuudza chete. Kusangano
ndichapedzisa chiporofita changu. Edha
edha" Vakadero Madzibaba vaye
ndokundipa nhombo nhatu dzekuti
ndinogeza.

"Uyu muteuro wandakupa unofanirwa


kunogeza nhasi chaiye usati warara,
Usiku rwanhasi chaiye ndaona...asi
kaaah, iwe chingoenda unoita
zvandakutaurira chete. Unokunda
mwanakomana "

Vakadero ini ndokugutsirira musoro,


ndakanzwa Deke ave kuti.

"Ishe hazvaigona here ipo pano mubve


mangoti goo. Ibvai matodzikisa gejo
racho."

"Ndati chii. Ndati mushure mekugeza


muteuro uyo ndichataura kutaura kwangu.
Muteuro uyu ndewekuti asimbe paropa
rake, ndinoona kuti ndikamuudza asina
kugeza anopindwa nedzimwe pfungwa.
Asi aaah eeeh ndanyarara hangu. "

Vakadero Madzibaba vaye ndokuita


muchinjikwa mitatu, uyu Deke ndiye
akangobatwa musoro ndiko kuzobva
pakirawa, takatora nzira tobva pamusha
paReza uyu.

Tave munzira hapana aitaura nemumwe,


uyu Deke ndainge ndakamutsamwira
chaiko.

"Bhururu munhu ndewekuchengetedza


tsanangudzo. Nhasi chaiye ona kuti
wageza muteuro uyu usati warara"

Akadero Deke ndiko kuzoparadzana


kwedu ini ndoenda kumba kwedu,
ndasvika pamusha muteuro uya uyo
wandainge ndakaisa hombodo handina
kumboubudisa, kunze kwaive kwatosviba
uku. Ndaitonzwira usimbe rwekuti
ndinogeza muteuro wacho. Ndakazviudza
kuti ndaizozviita ramangwana racho
kunze kwakachena, chekumhanyira paive
pasina chikuru kugeza muteuro
wacho.._________
*End Of Chapter*

.....

Mabasa akutodzipwa uyu muteuro


achageza here iyeyu
https://chat.whatsapp.com/J8eJzLc0zvY7
1bEpcaGgY3

*TEZVARA NEMUROORA*
STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 22

*MAMOYO*
Day iri ndini ndakatotanga kuenda
kunorara, mupinyi ndainge ndagara
ndauisa pasi pemubhedha, chainge
changosara kupedzisa zvandainge
ndafunga.

Mabasa ndaida kutomupfuudza day iri,


ndainge ndazvipira kuti ndimuuraye. Kana
zvemupinyi zvaizoramba ndaizoita
zvekumudzvinya.

Ndakagara pamubhedha ndakamirira


kuuya kwemurume wangu uyo aive achiri
akatandara kuimba yekubikira nevamwe.
Ini ndini ndaitaura naTezvara nema SMS.

"Wadii Babie, hope kuti watogadzirira"

Ndiyo message yandakaona yopinda


ichibva kuna Tezvara.
"Ndatogadzirira kare. Imi chingomirirai
kuona mwanakomana wenyu ave
chitunha ramangwana racho"

"Wish you the best babie, but woitawo


wakangwarira kaaah. "

"Zviri munzeve Daddy"

Ndapedza kutaura navo ndakadzima


phone yangu ndokuiisa pachi table,
papera 20 minutes ndipo pakazouya
Mabasa muimba yekurara.

Ndakatanga kufara hangu nechemumoyo,


ndakanzwa Mabasa ave kuti.

"Aaah ko iwe nanhasi wanga usati


warara, wanga uchiitei. Chinguri wauya
kuno kuimba yekurara here?"
Akandibvunza izvi ndokubva agara
paedge yemubhedha, ini izvi ndizvo
zvandaisada zvekubvunzurudzwa zvisina
nebasa rose, dai aive Tezvara
aindibvunza ndaipindura ndiine mufaro
wangu wose.

Ndakatoramba ndinyerere ndichiita kunge


pasina chandanzwa..

"Mamoyo ndikutaura newe, wanga


uchiitei?"

Akadero andikwidzira voice rake.


ZvaMabasa mazuva aya ndaitoshaya kuti
zvaive pai chaizvo. Maitiro ake mazuva
aya aitondivhundutsa uye kundityisa.
Mabasa wandaiziva ainge asiriye.
Zvechokwadi ainge andichinjira, ndaitoda
kumurafura asi ndakazorangarira kuti
aigona kungondiita zvimwe.

"Ndanga ndakamirira imi kaaah nhai


Daddy"

Ndakataura mashoko aya


ndazvidzikamisa hangu, iye Mabasa
ndakaonawo adzikama ndokutanga
kungonyemwerera.

Mushure meizvi ndakaona shasha yave


kuuya pandainge ndakagara
ndokundibata bata, handina
kumbojamuka hangu, ndakatotererawo.
Ndaiziva kuti mushure mekurara neni
aigona kuzobatirwa nehope
zvekusapepuka chaiko. Ndaizotora
mukana uyu kumudzvinya.

Mabasa akabvisa mbatya dzake ndiye


jujuju semazuva ose, handina
kumboratidza kurwadziwa hangu. Apedza
kurara neni ndakaona ave kupfeka
mbatya dzake idzo ainge ambokurura.

"Ko wave kuda kuenda kupi nhai Mabasa"


Ndakatobvunza ndichifunga kuti zvimwe
kune kwaida kuenda, zvino plan yangu
ndaizopedzisa sei iye munhu ainge oda
kusvotoka, sezvineiwo ndakaona opinda
mumachira akapfeka hembe dzake izvo
ainge asina kumboita.
"Kuchitova kwakanaka here nhasi,
Mabasa zvaurikuita hazviite izvi. Ungabva
wararawo wakapfeka mbatya here nhai,"
Pane kuti andipindure akatoramba
akanyarara, handina kuda kunetsana
naye. Mbatya sandzidzo dzaizoita kuti
ndirege kumuuraya kaah.

Ndakadzima light ndokupindawo


mumachira, ndainge ndachimirira kunzwa
Murume wangu oridza ngonono.
Ndanzwa izvi ndaizoziva kuti Murume
wangu arara.

Sezvineiwo ini wacho ndakatotanga


kunzwa hope Idzo dzandisina kuziva kuti
dzainge dzakubva nepi ini ndaive
pamission, ndakaerekana ndatobatirwa
nehope ndokutorara, ndakamuka
mangwana acho mushana watobuda uku
ndichingova ndega pamubhedha.

Ndakamuka ndokubva ndojambira


kwakadero.

"Nhai Mwari, ndoita sei futi. Saka Mabasa


wacho ndichamuuraya Seiko. Mhai kani.
Ko idzo ihope rudziiko dzakazondibata,
kurara zvekusapepuka here?' Ndainge
ndachibata muchiuno uku ndichiita
kupupa nehasha, haa zvinhu zvacho
aitove maone chaiwo. Zvaitokunda
ngoma kurira. Chokwadi midzimu yaive
panaMabasa yaikunda ngoma kurira.
Ndakagadzira pamubhedha uku
ndichingoridza tsamwa ndiko kuzobuda
panze, ndabuda ndipo pandakanzwa
phone yangu yave kurira. Ava vainge vari
Tezvara vainge vari kufona.

Ndakaenda kuseri kwehozi ndokunodaira


ndiri ikoko.

Ndichingoti hello Tezvara vakatanga kuti:

"Mamoyo wakazvifambisa sei nezuro. Tell


me chii chakaitika. Hee. Ndiudze kuti
wakaregerei kuuraya Mabasa, heya
makatorara makamundirana henyu"
Vakataura mashoko ava vave
kundipopotera.
"Aaah Daddy ini kurara ndakambundirana
naMabasa manje, munhu we ju ju ndiye
wondombundirana naye here"
Ndakatanga kuseka, ko ndaigozivei kuti
Tezvara vaitove muchick. Ndakanzwa
vokakama vachitadza kubudisa manzwi.

"Mamoyo handisi kuseka, haisi nguva


yekuita majokes ino. Ndiudze kuti
chakakutadzisa kuuraya Mabasa chii
nhai? Nhasi Mabasa atouya kudare
kwandanga ndiri akati mamuka sei baba.
Asi wakamuudza zvekuti tiri kuda
kumuuraya here? Kuzouya kudare uku
kwaaita kundisvotesa kaaah kuti
mupenyu haana kufa"

"iih nhai Tezvara. Handina kumbomuudza


ini. Kungoti nezuro ndakabitirwa nehope
kana kupepuka nhaimi. Hazvisati
zvamboitika muhupenyu hwangu"
Ndakavataurira zvose zvainge zvakaitika
ndokunzwa vave kuti:

"Hausi serious zvachose, saka wati toita


sei naye. Masikati anhasi ona kuti
wamuuraya"

"Umm ndichaita sekudaro. Ko imi


hazvigone here kuti mumboedzawo
kumuuraya. Ini zvinenge zviri
kutondiramba zvekuti ndimuuraye"

"Ini aaah ini aaah ini kuuraya Mabasa


here? Aaah hazviite Mamoyo. Wanga
watobvuma kukundikana narini nhai.
Edza imwe plan. Kana zvemasikati ano
zvaramba, chitoona plan kuti nhasi
manheru wamuuraya. Manheru anhasi
uite zvinoita.. "

"Ko imi mukamboedzawo nhai. Nhau iyi


yakutoda kuti tibatsirane, imi nerimwe divi
ini nekune rimwe divi"

Mabasa uyu aitoda zvevanhu vaviri.


Zvekuti aizourawa nemunhu mumwe
chete ndainge ndisingaone zvichibuda
ini,Tezvara vaye vakaramba vaine rekuti
ini ndiiuraye Mabasa, semunhu aidawo
kuti Murume wangu afe
ndakangozobvumirawo hangu, zvino
Mabasa wacho ndaizomuuraya sei
Masikati acho. Iyo yekumudzvinya
yaisaita zvachose.

Ndapedza kutaura naTezvara ndakaenda


kunokwazisa Vamwene vangu avo
vaitosuka ndiro.
"Ko uyu Mabasa aenda kupi nhai
Mhamha"

Ndakabvunza Vamwene vangu ndichida


kuziva kwainge aenda, zvimwe ndaigona
kuzonomuhwandira ikoko ndikamutema
nesanhu.

"Abva pano achiti arikutevera zvikwereti


zvake, heya iwe haana kunge akutaurira
here?"

"Aaah kutokangamwa hangu, anga


ambonditaurira"

Ndakaona zvakakodzera kuti ndinyepe,


zvaizonyadzisa kuti angondisiya ndirere.

"Haaya, ko iko kuzononoka kumuka


hanzii. Ini pano pamusha ndini ndatove
Muroora kaah. Iwe kutomuka hako zuva
rabuda, heya wakuita zve competition
neni, ukati chembere iyi zuva riya
yakambomuka na11 nhasi ndiniwo. Iweka
utinyare apa, Chitouya upedzise kusuka
ndiro idzi, ini ndimboona kuti ndakanda
something mumukamwa " Vakandisiya
ndave kusuka ndiro dziva.

Zuva rose ndakaswera ndichifunga kuti


Mabasa wacho ainge aenda kupi? Uye
kufunga kuti ndaizomuuraya sei
rakacheka nyika kudai. Ndakapererwa
munongoziva,

Mabasa akaswera asipo zuva rose ndiko


kuzodzoka zuva rave kupinda muna Amai
varo. Ndakangozviudza kuti usiku
hwemusi uyu ndaizomuuraya no matter
what. Ndipo pandakanzwa iye Mabasa
otaura achiti zuva iri aisazorara pamusha,
Nemashoko aya ndakavhunduka,
ndakatarisawo Tezvara ndokuona
vachinja kumeso kwavo. Zvino
ndaizomuuraya sei? Ko iye aida kunorara
kupi, mushure mechinguvana Tezvara
vakabva vabvunza Mabasa wacho kuti
aida kuenda kupi usiku urwu?_______
*End Of Chapter*

https://chat.whatsapp.com/J8eJzLc0zvY7
1bEpcaGgY3 vanoda book from 1 join
grup iri, book richasendwa umu manheru.

*TEZVARA NEMUROORA*
STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 23

*MABASA*
Ndakamuka achiri makuseni chaiwo,
ndaida kufambira zvikwereti zvangu. Mari
yangu yaive muvanhu ndichiiverenga
yose yaigona kungosvika 500 USA.
Vanhu vacho vainetsera kuti
vaisabhadhara havo.
Zvaitove pandiri zvaitove zvihombe chete.
Ndaingoziva hangu kuti uku kwaive
kupedza yangu nguva ndichifambira mari
iyi. Yaitove garoziva kuti hapana
aizondisvitsa mari yangu mumaoko. Ini
gehena ndiro randainge ndiri kurarama
ndiri mariri, handifunge kuti kudenga
ndaizoenda kugehena. Ndainge
ndatorionera pano pasi. Mukati raive
gehena diki here, ndikashandira vanhu
mari yacho ndaisapiwa.

Kwandaiita ndiko kushandira mahara,


mukati ndainge ndisiri kutoripira ngozi
here? Zvaisave zvega izvi.

Ndakatanga ndaenda kudare uko kwaive


naBaba, ndaida kunovamutsa hangu.
Ndakaona kushamisika kwavo kukuru
vachindiona, hameno kuti chainge chiri
kushamisa apa chaive chii?

Handina kuzoda kuvabvunza uye


kuzogara nguva yakareba ndiriko kudare
uku. Baba vangu ndaingoona vachiita
kakuvhundikira ako kandisina kuziva kuti
kaibva nekupi, ndakatoona kuti regai
ndibve pavari ndivape rugare. Ndiko
kuzobva kwangu ndoenda kunooneka
Muchembere ndichivaudza nezvenhau
yekufambira zvikwereti.

Ndakatora nzira ndokutanga kuenda


kumba kweimwe shirikadzi iyo
ndakawana isipo hayo. Chezuva iri
ndakaswera ndichifambira mari dzangu
asi chandakawana paive pasina. Munhu
mumwe chete ndiye akatondipawo 5 USA
vamwe vaingoti vainge vasina, papi
pacho pawaizoudza munhu kuti ndirikuda
mari yangu nhasi chaiye iye achikuudza
kuti handina. Zvinongoratidzawo
kusakwana kwako.

Ndave kudzokera kumba ndipo


pandakadzokera nekumba kwaDeke uyo
wandakasvika achitobika sadza. Ugoona
zuva rainge richiri rakacheka nyika.
Hameno kuti sadza raaibika raive renguva
ipi. Kuti nditi raive remanheru
zvakandirambira ini.

"Kwakanaka here kwaunobika sadza


masikati ano kudai?" Mushure mekunge
ndamubvunza mashoko aya ndakabva
ndagara pachituru chaive mumba umu.

"Zviripiko Sahwira, ndirikuda kuenda


kuseri kwemakomo ayo. Heya unoreva
kuti hauzvizive here kuti kune pungwe
iriko"

"Kana kumbozviziva wena, ipungwe rudzii


iyoyo. Ndeyechurch here?"

"Aiwa haisi ye church. Sekunzwa


kwandaiita hanzi kune manyaradzo ariko
here? Ini unongondizivawo kuti pane doro
ndipo pangu."

"Kune manyaradzo" Ndakakanuka


ndokubva ndotanga kusekerera. Ndiko
kuzoenderera mberi ndave kuti.

"Ini kana kumbozviziva ufunge hako. Ko


wakaregerei kunditaurira kare nhaiwe.
Haa chero neniwo manyaradzo
ndinozomada chekuti pano.
Wakangamwa here kuti ini ndinotsika
jaivi. Chegore riya handi ndakapiwa
bucket rose remaheu ndatsika jaivi
yakamutsa nevainge vakarara here. "
Ndakadero ndokutanga kusekerera
hangu.

"Heya hauzvizive, ndaiti unozviziva kaaah


ini. Aaah ondiregererawo nekusakuudza
kwandakaita"

"Saka ndiko kwauri kuda kutoenda here?


Eeeh zvatoita apa ini chirega ndinooneka
vekumba iwe zvowoita wondimirira kaah.
Zvamanje manje ndinenge ndadzoka"
Ndakapedzisa kutaura mashoko aya
ndatove kumukova. Deke akasimuka
ndokunditevera panze pandainge ndave.

"Mabasa muteuro uya wakanogeza here


sahwira" Ndakatanga ndapinza ruoko
rwangu muhombodo iye mandainge
ndakaisa muteuro. Wanike mainge
musisina kana nechirimo. Zvichireva kuti
wainge wadonhera munzira kaah.
Hawaitadza kudonha munhu aswera
mbeya nemaraini here?

"Mabasa ndikutaura newe, ndati


wakageza here? Ko ukagoratidza
kuvhunduka wani"

Akandibvunza zvekare, ini ndainge


ndichiri ndakangoisa ruoko ruye
muhombodo.

Papera chinguva chakati kuti


ndakapindura ndoti:

"Ehe ndakageza Sahwira,"

Ndakatonyepa zvangu. Ndipo pandaive


ndichataura kuti handina kugeza here?
Zvaisataurika izvo. Ndidyiwe zvangu
naDeke anotovawo nemhepo dzake uyu.

"Kana wakadero wakagona. Hauchiona


manje ndiko kuti Sahwira mukuru. Iwe
zvowoita chimhanya kumba kwako
unooneka veukama. Iniwo ndichasara
ndopedzisa kudya sadza rangu."

"Zviri munzeve, uchiti ndinombononoka


here? Chero nesadza handifunge kuti
ndichanodya kumba"

"Yowee uchimhanyira kupi nhaiwe?"

"Kumanyaradzo kaaah nhai. Ndikabva


ndandinyira sadza kumba, maheu
ekumanyaradzo. Ndinonoisa kupi
zvekare. Ndikabva ndandinyira sadza
chero simba rekutamba handinoriwane.
Chirega ndimhanye" Ndakadhanaira
ndoenda kumba uku ndichingosekenyeka.
Pasi pano panyika hapana chandaifarira
semanyaradzo. Ndainge ndagarisa
ndisingachazive kuendako ini. Ndasvika
kumba ndakaudza vaiveko kuti ndaisarara
pamusha zuva iri. Ndakaona munhu wese
achiratidza kushamisika.

"Mabasa watii?" Vakandibvunza Baba


vangu vashandusa chiso chavo.

"Uri kuda kuenda kupi nhai Mabasa"

Vakaenderera mberi nekutaura vasiri


kana kukama havo. Ndakabva ndati.

"Ndirikuda kuenda kumanyaradzo kusei


kwemakomo ayo."
Ndakaona Baba vangu vachiratidza
kushamisika zvekare ndokuti.

"Ndekupi ikoko kune manyaradzo


kwandisiri kuziva. Ini ndaswera ndiri
kundari nhasi asi handina kumbonzwa
nezvemanyaradzo." Amai vangu vakabva
vatanga kuseka ndokuti.

"Ndaseka zvangu ini. Heya saka imi ndimi


munonzwa zvose. Zvinoreva kuti dzimwe
nhau hadzikudarikii here? Iwe Mabasa
enda zvako wakasununguka asi ikoko
unongwarira kudyiswa"

Ndakatanga kuseka hangu. Baba vangu


ndivo vainge vaunyanisa kumeso.
"Kumagadziro ndiko kwausiri kuzoenda
Mabasa"

"Imi Baba munopenga chete. Achirega


kuenda akaita zvekudii nhai? Iwe Mabasa
Baba vako havasi vekutevedzera ava,
vanotove nemwando chaiwo. Nechavari
kukurambidzira ndinotochishaya ini. Ivo
kundari vanongoenda madiro.
Anovarambidza hapana. Murume uyu
achaita hutsinye chete, umm murume
wangu unokunda ngoma kurira. Iyeyu
mwana mumwe chete watiinaye ndiwe
waungabva wadaro, kuzoti dai taive
negumi ndofunga waitodya marasha
chaiko. Gegege ini pano panondinakidza
ini. Iwe Mamoyo opakurira murume wako
sadza aende akaguta"
Ndakaona Mamoyo ave kuramba akagara
hake, ndofunga aisada kutondipa sadza
racho. Dai aitozivao kuti neni wacho
ndaisarida aisazvinetsa hake. Baba
ndakaona vobuda panze ndiko
kuzondisheedzawo panze paye.

"Mabasa ichokwadi here kuti urikuda


kuenda kumanyaradzo. Ukati hausi kuda
kuenda kuchurch here?"

"Ichokwadi Baba"

"Ndanga ndati urikuenda kuchurch ndikati


ko wadii kumhanyirei kudaro. Inga
kuswera mangwana chishanu wani
chinova chatakabvumirana kuti tinoenda
tose. Chero iko kumanyaradzo wadii
kuregera mwanangu. Mangwana chaiye
ndanga ndafunga kukutuma kutaundi kuti
unonditsvakira bhinzi dziye
dzawakashaya kuguta"

"Kana zvirizvo ndinenge ndotodzoka


pakati pahwo"

Baba vangu ndakanzwa votura mafemo


avo. Ini ndainge ndachingovatarisa
hangu.

"Mabasa, ichokwadi here chekuti


urikuenda kumanyaradzo. Hausi kuenda
kuchurch iyewe"

"Nhai Baba munoda kuti nditaure


ndichichema here?"

Ndakapindura ndave kutoratidza


kubhoekana ini. Kubvunza kwavo
kwainge kwakutosvota uko.

"Ko wadii kuchiregera izvozvo. Iwe


wakazvitarisa unoti mukadzi wako
anosara nani."

"Ndosaka ndati ndodzoka pakati parwo.


Chiregai ndimhanye..." Ndakatoona kuti
ndikaramba ndakamira naBaba kwaive
kutopedza yangu nguva, Nyaya dzavo
dzaisapera, ino vakati bate vosiya ino
vakati bate vosiya. Papi pacho
pandaizoenda kuchurch ndichivasiya
nhaimi.
Ndakavasiya vave kutaura vega ini
ndotora nzira yekumba kwaDeke uyo
ndakawana atopedza kugadzirira.
Takapinda munzira toenda kuseri
kwemakomo. Tiri munzira ndaive
nemufaro mukuru kwazvo.

"Inzwa kaah Deke, dai tikawana uya


murume wekurova ngoma kunge
asvikirwa ariko. Hii zvimwe ndezvimwe
murume uyo anozorova ngoma
zvandinoda mhani. Akati kindi kindi kindi,
chero vakafa vanogona kungomuka. Ini
rangu shavi ndipo parinoda ipapo.
Ndinotanga kusvetuka svetuka,"

"Yaa iwe ndinokuziva mhani. Zvino vanhu


vakazondibvunza kuti mwana wani ko uyo
ndinopindura ndichiti?"

"Unongoti mwana waMuchandiona.


Zvechokwadi nhasi vanondiona.. Haaa
nhasi ndichanakirwa chokwadi."

Ndakapedzisa kutaura mashoko


ndokutanga kusekerera, uyu Deke ndiye
wandakaona otora nzira yepamwe
pamusha apo paionekwa moto
kupwipwitika mudenga, zvichireva kuti
ndipo pamusha pacho paive
nemanyaradzo. Asi chakandishamisa
tasvika pamusha uyu ndakatambirwa
nevanhu vaive vakapfeka magemenzi.

"Iwe Deke hatina kurasika here, pano


ndinoona sekuti pane church."

"Ehe ndizvozvo, pano pane choto


Mabasa, ndaona kuti ndikakuudza
izvozvo unogona kuzondirambira"

Ndakaita kuridza tsamwa kuita


sendichanzwa munhikwi. Mufaro wose
wakabva wapera, zvechokwadi Deke
ainge aratidza kundidherera,
ndakaerekana ndangosimuka pandaive
ndakagara, ndaida kutodzokera kumba
straight. Ndaichagarira chii ini ndainge
ndanyeperwa, ndakazarirwa handidi
kunyepa. Zvekuti dai taive pedu tega
mumwe munhu ndaimubhutsura hangu.
Chiona kwatainge tabva paive
nemufambo chaiwo. Manje ini ndaitovewo
imwe type kumba kwedu ndainge ndisina
kudzingwa,_ Ndirare rumwa nehutunga
husiku hwese kuti ndadii hangu___ ____

*End Of Chapter*

Mabasa kwatove kudzokera kumba


here?????? Zvino akadzokera chii
chichaitika????
https://chat.whatsapp.com/F2Vyib5atLQ7
au08AjAARe

Join grup iro vakuda book from chapter 1


*TEZVARA NEMUROORA*

STORY BY KULE C
0775937782

CHAPTER 24
*MABASA*
Kumba ndiko kwandaizodzokera chete.
Ndirare ndichirumwa nehutunga husiku
hwese kuti ndakatadzei pasi pano
pezuva. Deke aive asingazive kuti
ndainge ndamuvenga zvakaita sei?
Ndaizomuonesa rimwe zuva. Mukomana
uyu ainge akuda kutondijairira.

Kutondipinda pinda ndiko kwainge ave


kutoita, in fact ainge akutondiona kunge
ndaive mwana wake. Dai aiziva kuti
ndaisave wezera rake aisandipinda
mubhurugwa.

Takazvitarisa Deke aive mudiki kwandiri


kwazvo. Ndofunga ini ndaigona kuva
mukuru kwaari nemwedzi kana maweeks,
chero akave madays asi ndinenge
ndichingova mukuru kwaari kaah nhai..

Munhu ngaadzidze kudherera munhu


wezera rake, akaramba aine ka system
kake anororwa kufa chaiko. Atotenda kuti
arikuitira ini, asi kaah akaramba achidai
ndinomurova chete. Zvemunhu anoita
kunge anodya matoto handizvide
muhupenyu rwangu.

"Saka wakutoenda here Deke" NdiDeke


aindibvunza, ini ndakatoridza tsamwa iyo
yakabvundutsa vanaMadzibaba vaive
pedyo nesu. Kutosindibvunza sekunonzi
aibvunza zvinhu zvine direction. Ndainge
ndakamutsamwira, dai aiziva kuti
ndaigona kungomurova fast and furious
aitondidzikamira zvake.

"Ehe ndave kudzokera, wanga watii?"


Ndakatobvunza ndatobata muchiuno
zvangu.

"Hii Mabasa hausi serious wena.


Chimbondiudzawo kuti uchitodawo
kuyambuka here pauri apa"

Ndakatoita kusekera svoto ndotarisa


danda iro raive chinhambwe, dai raive
pedyo ndaizorishandisa kumurikita naro.

"Ndiwe unondiyambutsa here? Ini


ndakayambuka kare ndikuudze.
Changosara izambuko chere. Sara
shamwari. Ini ndaenda. Haaa nhasi
mucharumwa neutunga mukazvirega,
kuzowana koedza haaa munenge
manzwa chokwadi. Ndaseka ini. Aaah
zvepano zvinosekesa,"

"Hii Mabasa usadaro shamwari."

"Ndorega kudaro ndoita sei. Iwe nhema


dzako ndidzo dzandakuvengera zvangu.
Iwe utori munyepi. Haaa ndatya newe.
Hameno kuti chinokutadzisa kuroora
mumwe mukadzi chii? Nenhema dzako
idzo wakafita kungoudza mukadzi
wemunhu kuti ini babie ndine motikari,
eeeh ku Uk ndine zi mansion riri mberi
kwazvo" Ndakaona vamwe Madzibaba
ave kuuya pandainge ndakamira.

"Nhai Madzibaba matumwa here pano.


Ko mukabva makanyarara munobvei
nhai?"

Ndakatanga kumunanaidza kumeso


kwake. Iye aive akwana papi. Ndainge
ndiri kutaura naDeke ini. Zvevanhu
vanoda kungohakira ndaisada hangu.
Ndakamucherechedza ndokuona kuti
raive monya chairo. Ndakazviudza kuti
ndikada kuita zvenharo ndaizobatiwa
huro. Haaa muchiti haasiwo magemenzi
aive aiita kuti asimbe kudaro here?
Ndofunga waitove musika chaiwo,
sekuona kwangu ndinoona sekuti aive
akatopfeka magemenzi mashanu, muchiti
kwaive kusimba here uku.

Ndakazvidzora hangu ndokutanga


kufamba ndobva pachivanze apa, ndipo
pandakasangana naMadzibaba Reza.

"Aaah ko uri pano mukomana.


Zvandatokuona zvanaka Mabasa"

Akadero oda kundikwazisa, ini ndokubva


ndamukwazisa hangu.

"Ndanga ndiripano asi ndave kutoda


kutodzokera hangu."

"Nekuda kwei zvekare. Manje ndaona


munzira imomu madyiwa nezvikara kkkk.
Heya chokwadi mungasvika pachurch
mugodzokera pasina zvamaita here?"

"Zvikara, zvikara zvipi futi" Ndakabvunza


ndoda kuziva, uku ndapindwa nekutya.
Uyu aive munhu wemweya saka anogona
kunge aive ari kutaura chokwadi. Asika
sekuona kwangu vanhu vakadai
vanogona vachingova nemweya
wekubudisa mweya chete. Mweya
mutsvene unenge wakatiza kare, kk.

"Zvikara zvemusango chaiko. Mabasa dai


uri mumwe urikutenda ari kukuswededza
pedyo nemweya mutsvene. Heya
kwaunobva uko. Hii ndinonzwa tsitsi.
Handisi pamweya hangu Madzibaba
asika, ndanzwa mhere mhere, dai
zvaigona wazobvawo pano ndakudirai
mbiya yemvura madzibaba."

"Usiku rwuno here?"

"Ehe, kana zvadero mochienda henyu."

Ini nekutya zvikara kwandainge


ndataurirwa ndakazvidzikamisa. Kutaura
chokwadi anoda kufa pasi pano ndiye
asipo hake. Anoti ini ndakazvipira,
vanogona variko havo asi ini chinhu
chandinotya pasi pano pezuva rufu. Huh
ndinokutya hangu. Dai ndaiziva kuti
ndaizofa zuva rakati ini ndaitotiza chaiko.
Zvino rufu rwwcho harwutizike zvekare.
"Saka mave kutondidira iye zvino mbiya
yacho here?"

Madzibaba panekuti vandipindure


vakandibata hana yangu ndokuti.

"Ndichakudira kana church ichinge


yatanga"

Ndiko kuzofambidzana toenda kwaive


nemamwe vanaMadzibaba. Ndakaona
Deke achiratidza kushamisika
nekundiona, ini ndaisatoda zvangu
zvekutaura naye. Ndakanogara paside
pake, zvaiitaura ndaisapindura. Ndainge
ndichiri ndakamutsamwira.

Mushure mechinguvana, takaenda apo


paive pakaveswa moto, masowe achibva
avhurwa. Vanorerura nekuparidza
ndokuparidza, ipapo ndakaona Reza ave
kusimuka painge akagara ndokutanga
kufamba ari mugwanza achirira nendimi.
Ini ndainge ndangochiti kanha
ndakamutarisa hangu.

Pave paye ndipo pakazoenda mumwe


ainge akuzadzisa mashoko ainge ari
kutaura, zvose izvi zvaive mumaziso
angu.

"Madzibaba imi simukai" Ndini uyo


ndainge ndotendekwa. Ndakabva
ndangosimuka.
"Handina kupiwa mashoko ekutaura.
Ndangonzi mudirwe mbiya nhatu
dzemvura. Pano handina chiporofita
kunemi. Pano ndine chiporofita
chekuzorodza rima repano pamusha.
Edha. Madzibaba huyai henyu
mupfugame muno mugwanza, kana
madirwa mbiya munotora henyu kugara
pasi Asika unofanirwa kuti ugare uri
pamunamato. Ndaona hupenyu hwako
haa zvakaoma chokwadi. Muvengi haana
tsitsi. Kunyangwe hazvo zvakadaro ini
ndinoda kuti zvifumuke, zvichaitika
zvichaitika asi iwe unenge uri pa
chokwadi, Muteuro wawakapiwa hauna
kunoushandisa kaaah iwe. Dai
wakanoushandisa rima iri raizorora asi
haaaa muvengi atitangira "
Ndakanopfugama mugwanza muya
ndokudirwa mvura iyo yaitonhora zvekuti
huya uone.

Mbiya idzi kwandiri akatoita kunge


mabucket chaiwo. Paive pakaipa kutaura
chokwadi. Ndakadirww mvura ndiko
kuzotora kugara pasi, handina kuzogara
kwechinguvana ndakatora nzira yekumba
kwedu.

Handina kusvika nekunetsa mukadzi


wangu kuti andivhurire gonhi. Sezvo
gonhi repaimba yekubikira raisakiiwwa,
ndakarivhura. Muimba yekubikira ndimo
mandakazorara dzamara mangwana
kwachena
Mangwana acho ndakatomutswa naAmai
vangu avo vakatoshamisika vachindiona.

"Ko iwe ndimo mawakazorara muno


here? Hauna kuzoenda kumanyaradzo
kwako here?" Vakandibvunza vachida
kunzwisisa.

"Ndakaenda hangu asi ndakakurumidza


hangu kudzoka. Ndakanzwa Baba vachiti
vaizoda kundituma kutaundi muzuva
ranhasi, regai ndinovaona hangu vandipe
mari yacho ndimhanye kumabhazi"

"Heya, ko uyu mukadzi wako akanoramba


kukuvhurira door here?" Sezvineiwo iye
Mamoyo wacho akabva apinda,
ndakaona achiratidza kushamisika kwake
kose sezvo ndainge ndichiri ndakatorara
hangu pabench.

Amai vangu vakabva vangorondedzera


Mamoyo zvandainge ndavaudza.

"Mabasa haurevesi chokwadi. Uchiti dai


wakauya kuzonoka ndaitadza kuvhura
here. Pluz door racho rainge risina
kutombovharwa iro."

Ndakaerakana ndamuka pandainge


ndakarara , kutovhunduka nezvainge
zvataura Mamoyo. Mamoyo aona izvi
akabva ati:

"Ndakanzwa uchiti waizodzoka pakati


parwo kaah nhai?"

"Aaah asi ndizvo zvingabva zvaita kuti


utadze kuvhara gonhi here nhai Muroora.
Ko kana kuri kupindirwa nenyoka kana
Mabhinya. Aaah wandityisa muroora Hurii
zvepano pamusha zvakaoma chokwadi.
Haaa waimuda Murume wako
zvechokwadi" Ndakasiya Amai vangu
vave kuwanzira Muroora, ini ndokuenda
kudare kwaive naBaba vangu. Ndaida kuti
vanondipa mari yacho yekuti ndikwanise
kuenda kutaundi kunovatengera bhinzi,
ndakasvika ndokubva ndavakwazisa
hangu.

"Kwainakidza here kumanyaradzo


mwanangu"
Ndakatanga ndadzungudza musoro ndiko
kuzoti,

"Zvirikupiko nhai Baba, ko ini ndaigozivei


kuti kwaive nechoto. Aisave manyaradzo
asi kuti yaitove church yemasowe zvayo"

"Unoreva kuti kumasowe ndiko


kwawakarara uri here?" Vakandibvunza
vachiratidza kushamisika, ini
ndakavataurira zvose zvainge zvakaitika.
Hapana kana chimwe chandakasiya
hangu. Papi pacho pandaizovanzira
vangu Baba,

"Saka kwakanzi chii?" Vakandibvunza


mubvunzo uyu vachinja kumeso kwavo.
"Hauna muteuro wawakanopiwa here
mwanangu. Kana uinawo chitobva
wandipa tigeze tose. Ko iwe kuzoenda
usina ini ndiko kuita sei nhai Mabasa"

Vakaenderera mberi nekutaura,


vachiratidza kuti vainge vachiri mukati me
kushamisika uye kuvhunduka.

"Hapana chandakapiwa Baba, ndakanzi


ndiuye kusangano remangwana racho."

Ndakatoona kuti kunyepa ndiko kwaigona


kuzoita nyaya iri kuti inyararww, neni
wacho chandainge ndazvitaurira
ndakachishaya. Haa ndaive nechifuva
chaicho. Ndakazvishora kasingaperi.
Ipapa ndaiziva hangu kuti Baba vangu
vainge vatove nechigumbu kwandiri.
Vaigotadza nei kuita chigumbu ini
ndainge ndatadza kuzadzisa chitsidzo
chatainge takabvumirana, mhosva yose
ndaingoipa Deke uyo aive andinyepera.

Baba vangu vakazondiudza kuti mari


yebhazi yainge isingachakwane
zvichireva kuti ndaizoenda rimwe
remazuva aizotovera, hunge mari yacho
yavepo. Vakazosimuka vodzungudza
musoro wavo ndokundisiya ndakagara
padare. Hameno kwainge vave kuenda.
Vave chinhambwe ndakavanzwa
vachiridza tsamwa iyo yandakanzwawo
uye yakandivhundutsa.________
*End Of Chapter*
*TEZVARA NEMUROORA*

STORY BY KULE C
0775937782

FINAL CHAPTER
25

*MABHONA'*
Ndakanzwa kusvotekana chaiko.
Zvichireva kuti mishonga yangu yainge
isiri kushanda here? Ndakazvibvunza
mubvunzo uyu ndikashaya mhinduro
yaizondigutsa, nekuda kwei iye Mabasa
ainge asati abvisa pfungwa yekumasowe
zvinova zvandaids.

Paakandiudza kuti ainge akanorara


kumasowe ndakavhunduka handidi
kunyepa, asi chakazondifadza ndechekuti
ainge asina kupiwa muteuro. Asika
Mabasa wacho ndaisamuchenesa uyu
zvimwe kuda ainge apiwa hake asiri kuda
kunditaurira.

Zvehupenyu zvainge zvandiomera


mazuva aya, uyu Mamoyo ndiye aitoita
hake zvekutamba panekuti auraye
munhu. Haa Mamoyo aitove imwe type
chaiyo. Munhu kungochangamukira pane
zvimwe tave paserious business kuita
dununu chairo.

ZvaMamoyo zvaitosetsa nembavha yaive


mugwenzi, nechaimutadzisa kuti auraye
Mabasa ndaichishaya ini. Kwaingove
kungozviitisa kwega kwega.

Dai aiziva kuti iyeyu Mabasa nekufamba


kwemazuva aigona kuzondigadzika demo
aisaita zvekutamba nenguva. Ini ndaida
kuti Mabasa achifa, ndaida zvekare kuti
Friday isvike munhu wangu afa. Ndaisada
kuti aende kumasowe uko ndainge
ndakamuudza kuti ndaizoenda naye.

Ndaitoziva kuti mushure mekuzoenda


kumasowe pane zvaizoitika zvikuru chete.
Vanhu vemweya ndaivaziva hangu.
Pakufumura chete here haa vaive
nechipo zvinova izvo zvandaitya.

Ndasimuka painge panaMabasa


ndakaenda kumishonga yangu
ndokunoifuridza furidza, panguva iyi
ndakaisa simba rangu rose. Zvaitoda
kutogwinya chaiko kwete kuita
zvechindonda ndonda. Any day zvaigona
kungondidhakwira.
Ndapedza kufuridza mishonga yangu
ndakadzokera kudare uko ndakawana
Mabasa achiriko. Hameno kuti ainge ari
kutsvagei, panguva iyi ainge abata
rushaya rwake.

Zvaigozviratidza zvega kuti pfungwa


dzemwana wangu dzaive kure kwazvo.
Mushure mekunge ndagara pwchituro
changu ndakataura ndoti.

"Urikumbofungeiko nhai Mujaya wangu"

Ndakaona Mabasa achiita kakuvhundikira


ndokubva abata hana yake.

"Zvechokwadi Baba mandivhundutsa,


hana yangu yave kutorova. Ndanga
ndisina kumbotarisira kuti ndichawwna
anonditaudza"

Ndakatoseka hangu rugare kunge nhamo.


Uyu aitove mukadzi paamire, hana yake
yainge isina kusimba zvachose.
Nechainge avhunduka ndakachishaya
zvangu. Mukati ainge asina kutozviitira
zvimwe here? Handizvione mushe ini.

"Kk urikumbofungeiko nhai


mwanakomana wangu."

"Nhamo dzinopera here nhai Baba"

"Aaah nhamo dzakaita sedzipi. Hupfumi


huzere pano pamusha. Matonnie
echibage arimo mumba. Eeeh yokera,
mombe takazadza danga, zvino nhamo
yaungafunga ndeipi nhaiwe"

Ndakabvunza ndonyepedzera
kusekenyeka, ndainge ndachibudisa
meno angu panze. Mumoyo yaive hondo.
Mabasa ndaitomufungira pakuru. Kungoti
ini ndaisada hangu kuteura ropa, uyu
ndiye wandainge ndakadai ndakauraya
kare. Asika kana zvaizoramba zvakadero
ndaizoteura ropa racho, zvechokwadi
Mamoyo aisatoda kuuraya Murume wake.
Zvaingove pachena izvo. Ko kana dai
aida chaimutadzisa kumuuraya chii nhai?
Pamubhedha vanorara vose haaa
zvaitokunda ngoma kurira chaiko.
"Baba hupfumi hwamuri kutaura
nderwenyu, pane zvose zvamataura
hapana kana changu. Ini ndinodawo
changu chandinoti changu. Kwete
chekupiww nemi asi chekuzvishandira
nemaoko. Pachirungu zvinonzi teach a
man how to fish kwete kumuredzera
hove. Izvo zvamataura ndezvenyu Baba"

"Ndezvedu tose mwanangu"

"Zvino kana zviri zvedu bvaa


ngachitengesa dzimwe mombe iniwo
mwana wenyuwo ndiitewo something
chinobatika. Chero imba chaiyo
ndingavakisa. Tarisai danga razarisa
kaah iro."
Ndakatanga ndaunyanisa pahuma pangu
ndokuti.

"Aaah izvozvo ndizvo zvisingaite


mwanangu. Mombe kuti tidzitengese
hazviite zvose. Aah hazviite... Iwe
chingoziva kuti hazviite chete"

Zvekuti mombe dzitengeswe zvaisaita


zvachose. Ndinenge ndapesana nemhiko
yangu. Chadzo dzaifanirwa
kungoberekana dzichiwanda, dzoita
dzekurimisa, inenge yafawo yega ndiyo
yandinodya. Ndaisatenderwa kuuraya
mombe. Ipapo ndinenge ndatocrosser ma
boundaries.

"Mazviona manje.. Aaah heya mangwana


ndiyo Friday kaaah.. Umm saka
tinofanirwa kutokurumidza kumuka.
Tinofanirwa kutoita vekutanga kusvika
pachurch"

Akadero ochinja nyaya. Uyu Mabasa


ainge atove problem chaiyo. Heya ndizvo
zvainge zvangozara mumusoro make. Ko
zvandainge ndiri kufuridza mushonga
ndafuridza zvekare. Chiiko chainge chiri
kumboitika.

Ndakatanga kubwaira bwaira kunge


munhu ari pedyo nechiutsi.

"Aaah kuchurch kunomukirwa here?


Chero tikaenda zvedu zuva ronorereka."
"Tichibatei pano pamusha. Tinofanirwa
kutomukira baba. Imi kana musisiri kuda
ndinoenda ndega hangu. Kana
muchizotovera rodoka munotovera"

Ambokuenda seiko kuchurch kwako.


Muzuva irori ndaifanirwa kutoona kuti afa
chete. Izvi ndizvo zvandaida kuti zviitike.

Mabasa akazosimuka ndokundisiya ndiri


ndega, hameno kwainge kuri kuendiww.
Ini ndakatora mukana uyu ndofonera
Muroora wangu. Ndaida kusangana naye
kugarden timbodzamisa pfungwa maringe
naMabasa uyu airamba kufuga rake oga.

Ndapedza kutaura naBabie wangu


ndakatora nzira yekugarden, mudzimai
wangu ndakamunyepera ndichiti ndainge
ndiri kuenda kundari hangu.

Ndasvika kugarden ndakanomirira


Mamoyo muchibage, akazosvika mushure
mechinguvana achibva angowadzira
zambia rake pasi ndiko kuzogara
tokurukura.

"Nhai Babie, chimbondiudzawo kuti chii


chikumboitika. Heya uri kutadza kuuraya
murume wako here kana kuti iwewe
mbune hausi kuda kuti afuge rake oga"

Ndakabvunza ndoisa musoro wangu


pamakumbo ake.

"Inga nezuro munoziva wani kuti haana


kuzorara pamusha. Mabasa ndinotoda
kuti afe chaiko. Nhasi chaiye ndiri
kuzomuuraya. Manheru anhasi.
Nommater what. Kana zvatonetsa
ndomupisira muimba yekurara Daddy.
Munhu uyu ave kundishungurudza mhani.
Haaa kubva riniko. Ikozvino ndomuuraya
chete. Mark my words. Read my lips.
Ndati chii. Ndati ndomuuraya chete. Imi
wait and see. Ndinonzi Mamoyo ini. I can
do anything for our love"

Ndichinzwa izvi ndakave nemufaro,


ndakatochinja nyaya ndokutanga kutaura
dzerudo nemudiwa wangu. Pave paye
ndipo pandakazorara tose. Tiri pakati
pebonde ndakanzwa munhu akauchira
maoko uyo wandisina kuziva kuti ainge
abva nepi. Ndakangoizvomora fast fast
uku hana ichiita kunge ichatsemuka, ini
naMamoyo ndokukanda maziso edu
kumunhu uyu wanike ainge ari_____

*End of Season 1*

Ngatisanganei museason 2 vanoda


kuenderera mberi nebook Tezvara
nemuroora.

Season 2 ichange yave pasale...


300 rtgs Ecocash pa 0781003960 Joseph
Chimunhu.

Kana iri airtime 350 buddie.

Vari SA 40 mtn kana cell c airtime.

Kana wasenda mari send proof pa#


dzakule C uiswe musub grup..

Number dzekusenda proof of payment


0775937782.

Ndatenda
#PDF CREATED BY LORITY ARTS#

You might also like