Professional Documents
Culture Documents
Written By Rue M
0788357900
Chapter 1
"Watumwei Nyasha,"
vakazobvunza vamira
kuseka ndikati, "handina
kumbotumwa ini." Ndaive
ndakutaura ndakatarisa pasi
nenyadzi zvikanzi nababa
vaDenny, "zvino mavingei
nhai VaMamoyo?"
"Zvemabook wanga
watopedza kusvika pakuda
kuzvarira baba Ishe murume
wemunhu?"
Ndakadzungudza musoro asi
nechemumoyo ndichiti,
"Denny haasi murume
wemunhu handi atove
negore arambana naMai Ishe
here plus pandakatanga
kudanana naDenny
ndaisaziva kuti anga
achangorambana nemukadzi
wake." Ndaive ndabva
kuMhondoro pakashaika mai
vangu semunhu anga asisina
wekugara naye ndipo
pandakatorwa nababa
ndokuuyiwiswa kuBikita
kwaive nemhuri yavo.
Mazuva ekutanga zvaitove
zvakaoma nekuti hapana
aive akwanisa
kundigamuchira nekuti haisi
nyore kuti vanhu vozongoona
mwana ane 16 years
voudzwa kuti ndeumwe
mwana wangu. Mukadzi
wababa akambotanga
achibata rough nekundiitira
mamood asi zvakakasira
kupera baba vati
ngavagamuchire zviripo
nekuti handina
kwandaizoenda. Mazuva
iwayo ndiwo andakatanga
kuona Denny akabva ave
first boyfriend apa semunhu
anga asina mashamwari
hapana akandiudza kuti
munhu ane mwedzi adzinga
mukadzi.
Ndakatozoshamisika umwe
musi ndagarirwa nevakadzi
four ndichibva kuchikoro
ndikarohwa big size zvichinzi
ndini ndakarambisa mukadzi
waDenny.
Ndakaenda kumba
ndisingagone kufamba luck
enough baba mazuva acho
vanga vasipo saka nyaya
haina kuita nyaya. Ndaive
ndisingachade nezvaDenny
asi mama vandaive ndogara
navo ndivo vakandisimbisa
kuti ndisamurambe.
Ndakatozoziva main reason
yacho ndadzokerana
naDenny kuti mama vanga
vane grudge nemukadzi
waDenny sezvo
akambovarovera nyama
kuzunde saka daka racho
harina kupera. Denny
akatozoendesa gupuro
kumba kwaMai Ishe chero
asina kumbobvira ataura
chikonzero chisvinu chaive
arambira mukadzi. NaDenny
taingodanana muchivande
zvichizivikanwa nevashoma
kusvika ndabata nhumbu.
Mama vakava vekutanga
kuzviziva ndisati ndatoziva ini
muridzi wayo. Kutoti,
"Nyasha wave nenhumbu
iwe ini ndikati kana
ndakarara naDenny ka1 and
futi last month." Chaitove
chokwadi ndaive ndarara
naye mwedzi waive wapfuura
ndikarwadziwa nekubvisa
humhandara ndikapfira
chikomba pasi ndikati
handizvipamhe asi kuti
nhumbu yainge yabata ipapo
ndakaramba kusvika mama
vaita zvepregnant test
ndokuona zvesure nhumbu
iripo. Tisati tarasa
chipregnant test chiya ndipo
pachakaonekwa nababa
vakati vavava kusvika
ndabvuma kuti ndine
nhumbu ndipo
pavakazonditorera demo
ipapo.
"Hezvo wakuda kutobatwa
nehope uri ipapo?" Vakadaro
Mai Denny
vachindizungunutsa ndikati,
"matii?"
"Achiendepiko iwe!"
Vakadaro netuhasha baba
Denny vakapihwa ziso
randisina kunzwisisa but he
didn't care. "Mai Firi endai
munomuratidza room
yaDenny azorore mwana
uyu," vakadaro vatezvara
ndokubva ndasimuka
zvikanzi navamwene vangu,
"uhu kana kusanyara?"
Kwaibvirwa ini.
Ndakanoratidzwa kuroom
kwaDenny chero ndaikuziva
ndokubva ndazvizororera.
Kuchivira ndakaenda
kugarden kwavaive
vandituma ndiye dhumha
dhumha naMai Ishe
nevamwe vavo vachibva
kunowacha.
Takangopfuudzana
ndikazonzwa vakuti, "regai
zvenyu muone kanoti
kanopagara pamba paya
naMai vaDenny ini chaiye
ndakapatadza. Mwedzi
chaiwo wakawandisa aripo
paya."
End of chapter
https://chat.whatsapp.com/C
C55KUCvYwE7vTkkLHckaT
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 2
Nyasha
"Ndakatadza," ndakapindura
zvinyoro nyoro zvikanzi,
"wakatadza kana kuti hauna
kuzvifunga?" Aive
akutondishungurudza
nemibvunzo yake.
KwaVaMuga kwaive kumba
kwatete vake hanzvadzi
yababa vake. Of course
ndaive ndisina kuzvifunga
but chero dai ndakazvifunga
ndaisaendako nekuti vatete
vake vaitove worse pana
vamwene vangu.
"Tingaonawo Dennis
Mhangu?" Asked the lady
officer mai vacho vakakasira
kudavira vachiti, "aita sei?"
"Tanga tichikumbirawo
kumuona," another lady
officer said zvikanzi natete,
"hamukwanise kana
kutikwazisa sure?"
"Umm akakwanisa 17
mwedzi wapera museri
sandizvo here VaMoyo?"
Vakataura vachingoringa
ringa Mai Denny kutoshaya
nechavaitsvaga. "Ko Denny
ane makore mangani?"
Vakabvunza vamwe officer
zvikanzi, "une 28 years."
"Imhosva iyoyo kuti nekukura
kwake aite underage
mukadzi," akadaro mupurisa
uya wekutanga kutaura
zvikanzi naMai Denny,
"ndozviziva vakuru Denny
ndatomuudza saka apa
tanga tave kutonodzosera
mukadzi wake kwaMoyo."
Vachipedza kudaro
muparazvongo akabva
abuda mumba zvikanzi
nababa, "uyo Denny wacho!
Rionei zirume ziguru
kusanyara kutsimbirira pwere
yakadai."
End of chapter
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 3
Dennis
Zvekuti Nyasha anga ari
mudiki kana kuti mwana
wechikoro ndanga ndisina
basa nazvo semunhu aive
anonokerwa nekumukanda
pakitchen. Musi waatizira
ndakatofonerwa naFungai
kuti chaputika kumba but
muchembere vari kuvava
saka the following day
pavakazofona vachiti kumba
hakuna kumira mushe ndiuye
ndakatodzoka kumba
ndichiziva nyaya yacho but
pandakaona Rabbi (baba
vaNyasha) achienda
papolice station
ndakanyumwa nyaya yacho
ndokutonera shamwari
yangu yaive mupurisa ipapo
kuti indinzwirewo kuti Rabbi
aitsvagei ipapo. "Pakaipa
wangu, ko unotizisa mwana
waRabbi chirudzii uchiziva
kuti iunderage? Izvezvi ari
kupenga big time zvekuti
ukapusa inopedzisira yonzi
rape." Ndakatura mafemo
ekupererwa though it was
what I expected.
"Ndiri kutokutaurika,"
akataura achiuya kumota
kwangu ndokubva ndakata
phone kuti tingotaura in
person. "Unorwara here
Chomuti?" Ndakabvunza
apinda mumota zvikanzi,
"ndoziva kuti mwana
unomuda huye handisi kuti
murambe zvachose but
kwenguva pfupi pfupi
unoziva kuti Rabbi ane
maconnection hobho saka
ukada kuzviidza wakangwara
unofira mujere iwe."
"Ndikamuramba zvobatsirei
manje? Ijere shoma kuzoona
kaNyasha kachitambura
nenhumbu yangu here?"
Ndakabvunza ndatove
nowhere zvikanzi, "iwe
chimboterera ini bhururu
wako. Izvezvi uchienda
kumba ukabvunzwa kuti
wakarara naNyasha ramba
nekuti ukangobvuma chete
jere rakakumirira chikomana.
Iwe ukaramba kuti wakarara
naye nyaya inonetsa ini
kunowo ndoita kuti
zvidhakwe nyaya yotanga
kutongwa kwasabhuku.
Kwasabhuku iwe wobvuma
zvako mwana woti waitya
jere. Obvious masabhuku
haadi nyaya dzinoendeswa
kumatare edzimhosva kuti
vagonzi vakundikana. Iwewo
kuti unyaradze Rabbi,
wototsvaga mari yekuroora,
huh zvagara mombe
unadzoka. Wotongovhara
Rabbi zvinhu zvotonaka
paya. Iwe usaware mapurisa
ari pano anokuziva Denny."
Ndakaenda kumba
ndokunoita sezvandaive
ndaudzwa naChomuti asi
ndakapotsa padiki kudzoka
kumasure pakafenda Nyasha
nenzara worse ndakunzwa
kuti haana kudya kubva
makuseni. Ndaiziva kuti
Nyasha aive very selective
ende zvanga zvazosangana
navamwene vake
vaisamufarira saka aitofira
izvozvo. Nekufamba
kwenguva zvaizopera hazvo
zvekumuvenga zvamai
vangu nekuti ndizvo zvavaiita
pavakadzi vaDione naDonny.
After all zvanga zvatojairika
kana kuti yanga yatove
system yakapinda vanhu kuti
vamwene nemurora
vanofanira kusawirirana for
no reason.
Sekutaura kwaChomuti
ndakaona mapurisa osvika
pamba ari four ndikatoziva
kuti ndini ndavingwa. Ndisati
ndaenda panze phone yangu
yakapinda call from new
number ndokubva ndadavira
ndinzwe, "nhai baba Ishe
unodirei kundisekesa
nevanhu muraini nekutora
kamwana kaduku kudaro
kuita mukadzi? Hausvode
here nhai Dennis?"
Ndakanzwa riri voice raMai
Ishe ndikati, "chero
ukasekwa zvinei neni?"
"Vakomana handei?"
Ndakazodaro kunana
Chomuti avo vaive
vakutonakirwa nekuona Mai
Denny vachiita zviratidzo.
Kaisava kekutanga vachiti
vanozviuraya. Vaiti
vakanetsana namudhara
votora zvigaba zvemapiritsi
eBP avo votanga kuti, "zviri
nani ndimwe ndife hangu
pane kushungurudzwa
pano." Umwe musi pavaive
vapedzesera kuzviita vaive
vanyimwa mari nemukadzi
waDonny. Donny aishandira
kuMasvingo saka akatumira
mukadzi wake mari ivo Mai
Firi kwakutadza kupa mama
kana cent zvikanzi, "unoda
kudya mari yemwana wangu
wandakaendesa kuchikoro
ndega iwe uchitamba
mahumbwe wozongouya
pano kuzodya?" Mai Firi
vacho vakati vaive nenharo
kwakuti, "makaita basa
nekumuendesa kuchikoro
mwana wenyu iyeye murume
wangu imi idyai yemurume
wenyu handi munaye?"
Vangu Mai vakati
wakajaidzwa kwakuzvivharira
mumba yekubikira kwakuti,
"ukasandipa mari yemwana
wangu ndiri kuzvipisira muno
ugozoudza vanhu kuti
ndakafa nei?" Tese
takafunga kuti kutamba
kwakuona chiutsi
chakupwititika mudenga
ndokuzonomhanya kuvhura
door, door racho
ringavhurika. Vakati voridza
mhere Mai Denny hanzi,
"mukadzi waDonny
wondiurauya kani vanhu
woye!" Ndakazopanya door
kwakuona munhu atsva
musana wese nemaoko
kwakutozomhanya navo
kuchipatara mari yenoise
ikashanda kuvarapa asi vari
kuchipatara vakanditi,
"Denny mwanangu ukaona
ndoda kuzviuraya tora
shamhu undirove
handizvipamhe futi."
Ndaizotyei pakadaro
ndakatozembera madziro
ndokutora phone yangu
ndikatanga kuona maphoto
aNyasha ndokuzobva
ndareceiver call from Donny.
End of chapter
https://chat.whatsapp.com/C
C55KUCvYwE7vTkkLHckaT
https://chat.whatsapp.com/C
C55KUCvYwE7vTkkLHckaT
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 4
Dennis
"Havana kundirova,"
ndakadaro ndichidzikisa
hembe zvikanzi, "chero
kumagadziko?" Ndisati
ndapindura ndakanzwa
Denny achiseka akamira
padoor zvikanzi, "bvisa
bhrugwa vaone kuti
vagutsikane kuti hauna
kurohwa."
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 5
Nyasha
Ndakazama kubatanidza
zvaiitika ndikashaya kuti
zvaifamba sei nekuti baba
vanga vambondisimudzira
demo vachiti ndibve pamba
pavo ndivo vanga vouya
kuzonditorazve. "Baba
musandirove!" Ndakadaro
tabva paruvanzwe rwaMai
Denny ndokubva varamba
vakanyarara zvakawedzera
kuti nditye ndikati, "ndakuda
kudzokera ini." Kwaingove
kutaura kwemunhu ane
muromo nekuti
kwekudzokera ndiko kwanga
ndisina.
"Akakutsotsa chirudzii?"
Vakabvunza mainini ndikati,
"aigara achiti anoda kurara
neni ndichiramba saka last
month paya akati
ndimuperekedze kwaNyika
achiti ari kuona munhu
wecontract yake but then
takamushaya apa mvura
yakatanga kunaya ndokubva
abooker lodge akati tofana
kumumirira imomo tiri safe.
Tapinda mulodge muya
akabva atanga kutaura
nyaya yake yekuti tirare tese
ndikaramba futi akabva
atsamwa achiti handimude
ndoda kungomutambisira
nguva ndikatoti ndomuda
zvemachokwadi ndipo
paakazobvunza kuti kana
ndichimuda sei ndichiramba
kurara naye ndikamuudza
kuti ndichiri virgin akati
ndinonyepa. Ndakatomuudza
kuti ndairevesa asi iye akati
anoziva sei asina kuona saka
pakuda kuzoona ipapo ndipo
pandakazorara naye."
Ndakazvidemba wani
ndapedza kutaura
ndanyatsoona kuti ndaratidza
kupusa. "Rakapusa iri!"
Vakadaro baba
vachindijunga junga musoro
ndokungopukuta misodzi
yaiyerera ndakanyarara.
"Waunochemera ndiyani
manje iwe wakaita
zvechihure wega?"
Vakabvunza nehasha mama
zvikanzi nababa, "hure
ndiyaniko iwe? Unoti
anoenda nepi mwana
achingonzi hure everyday?"
Vakataura vachibuda mumba
zvikanzi natete, "saka mati
todii?"
"Uchizvinyanya muroora
ndiwe waimusekerera
Nyasha naDenny pano
uchidya mabhisvo wega,"
vakadaro tete ndikati,
"ndaitika zviende manje
ndezvipi?"
"ZvaNyasha nababa vake
hazvipindirwe muroora
toswera tarohwa pano,"
vakadaro tete ndikatoona kuti
nyaya dzavo hadzina
pundutso ndokudzokera
kunhanga kwangu
kunorongedza zvechikoro
sezvo yanga yave back to
school. I was so sure kuti
ndatomboitwa nyaya mwedzi
wese kusvika tivhare.
Manheru ndakavigirwa sadza
nemukaka namama
vachifara chaizvo zvekuti dai
ndisina kunzwa
vachindinyeya
handaimbonyumwa asi apa
ndakangofeeler kuti
something wrong ndokubva
ndaramba sadza
ndikanokwatisa nyimo
ndikadya. Nguva dzekurara
shasha ikauya kuroom
kwangu yakatungamidzana
natete nambuya vepanext
vandaitotya nekungonzwa
kuti vanoroya and mama
chaivo ndivo vamwe
vaindiudza kuti vanoroya.
"Manheru?" Ndakavakwazisa
vakadavira kwakugara pasi
vachibata mabook nhema
sevanoverenga nekutya
kubirwa njere ndikatotora
mabook ndikamaisa mubag.
Baba vaigara vachiti ndine
njere shoma so imagine
ndaizosara nei kana mbuya
vaGugu vaba shoma
dzandaive nadzo?
"Unodhuva kumhanya
Nyasha,"akataura
achizembera madziro ndikati,
"rega ndimhanye ko
ndinenge ndichishandisa
tsoka dzako here?"
"Ndauya kuzokutora,"
akapindura achitarisa kwaive
nababa ndikati, "unopenga
chete iwe."
"Zvakawanda totaura tave
kumba babe hande,"
akataura achidhidhonzera
kurima ndokuzoti, "ukada
kuomesa kadzoro kako
ndoita musengabere izvezvi.
End of chapter
https://chat.whatsapp.com/B
ub8rtaRXon7kvpKbPJxCS
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 6
Nyasha
Paakada kundisimudza
ndakamhanyira kuna baba
nekuti ndaisada kudzokera
kumba kwandaive
ndarambwa and iye
aizotozviona seakanyanya
kuti paanondida onditora
asingachade ondisiya. "Enda
mumba Nyasha,"
vakandidaro baba ndokubva
ndachingopinda muroom
mangu nekutokiya door.
Ndakavhunduka ndagarira
munhu pabed and iye
akabva andivhara muromo
kuti ndisaridze mhere.
Ndakaita zvekuruma maoko
ake ndanzwa kuti ndiDenny.
"Problem yako ndeyei
chaizvo?" Ndakabvunza ndiri
serious zvikanzi, "handina
kana problem asi iwe ndiwe
wakuda kuomesa musoro
pasina. Ndakuti hande
kumba ukaramba saka ini
ndakugara pano hangu."
"Wahwinhaka?"
Ndakavhunduka ndanzwa
voice raMai Denny kumasure
kwangu ndokucheuka
ndichiti, "maswera sei
mama?" Vakangodzungudza
musoro kwakupfuurira mberi
ndikasara ndichitaura ndega
kuti, "ndanga ndiri
kumasports here
kunohwinhiwa?"
"NdiMamoyo," ndakapindura
ndichida kuvhura door
zvikanzi nababa, "dzokerai
kwamabva VaMamoyo."
End of chapter
https://chat.whatsapp.com/J
O7If2GkPI4EFvHtiHODER
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 7
Nyasha
Ndakaseka nechemumoyo
ndichiti, "baba vakakwana
here? Ndiri mukadzi wavo
wavanodzinga?" Ndakabata
door ndichida kuvhura wanei
rakakiiwa nemukati. "Denny!"
Ndakati ndidade murume
zvikanzi naiye, "Mamoyo
handide zvekutaura newe."
Adaro ndakagara padoor
ndichiti pane achavhura asi
hapana ndikati, "ko kuenda
kubedroom kwedu?"
Ndakaenda ndokuona
kwakavharwa ndokuzviudza
kuti haisi pressure ndogara
kusvika vabva kukitchen.
Havana kuzotora nguva kuti
vabve kukitchen ndikaona
avo vamwene vangu
vachikamhinha ndikaridza
tsamwa.
"Hapana ambopinda
mukitchen uchibika Mamo?"
Ndakadzungudza musoro
adaro ndokuzovhurisa
maziso ndarangarira kuti
baba vake Denny ndaive
ndambovasiya mukitchen
vega after ndatopakura
chikafu. Vaive vandituma
panze kunovatemhera
mhiripiri ndokubuda
kwandakaita mukitchen
ndokuzodzoka ndopa Mai
Denny sadza kubedroom
kwavo. "Baba
havangamboise mushonga
noo." Ndakazviudza kudaro
ndokutoona zviri better
kusaudza Denny nezvababa
vake nekuti aizoona
sendaivapumha huroyi.
"Who is Future?"
Ndakabvunza ndichimutema
nepillow and in no time tanga
takutosimbisa mwana
zvakaita kuti ndinonoke
kumuka. Ndakazvinyarira
ndamuka zuva rakwira
ndikati Denny kana kuda
kundimutsa kuri kuda
kutsvaga kunditukisa
nemuchembere wake.
Ndakageza kuface
ndokunanga kukitchen
kwandakasvika Denny achiti,
"Nyasha haakwanise
kuuraya kana huku so
anozouraya munhu akamira
pai? Zviri paviri kuti mhai
ndimi makazviisira
mushonga wemakonzo
nekuda kuti Nyasha abve
pano kana kuti imi baba
ndimi makaisa mushonga
nekuda kwekuti
makarambana namai saka
imi mukasataura chokwadi
muchaona zvandinota."
End of chapter
https://chat.whatsapp.com/E
NkuckAPCanFaJ1dTwBgFf
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 8
Nyasha
"Mushonga wamakavapa
kuswera zuro," akadaro
achienda kwavari ndikaona
Mai Denny vachitsonya
mbuya vaRudo but mbuya
vaRudo havana kuzviona
vari busy kuti, "mushonga
mushonga?" Denny asvika
pavari vakazoti, "hoo hoo iwe
mai vako vakaauya kumba
kwangu nechana chako
vachikumbira mushonga
wemakonzo vachiti pane
gonzo ranetsa
ndikatovapungurira."
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 10
Dennis
Zuva richidoka ndakaona mai
vakusvika pamba vega
Mamoyo vasinaye ndikangoti
pamwe vanetsana umwe
neumwe akauya neroad yake
achasvika zvake Mamoyo
uku ndaidemba chandaive
ndabvumira kuti aende
nekutoziva kuti aiswedzwa
nenzara. Vakasvika mai
nekunanga kubedroom
kwavo vasingadavire
vaivasweresa. After thirty
minutes or so ndaona
Mamoyo asina kuuya ndikati
ko kunobvunza kwasara
mukadzi.
"Mukoma!" Akatouya
achimhanya asati anzwa
zvandamudanira akabva ati,
"ko maiguru varipi?
Ndasangana naRabbi akati
vandipe maquestion paper
avavapihwa zvese
nemabook acho amake
mate..."
"What?" Ndakabvunza
ndichishamisika nekuziva
kuti kwaMakuvaza kwaive
kure nekumba apa ainge ari
pai. "Asara nani?"
Ndakabvunza zvikanzi,
"ndogoziva here?"
Vakamira kutaura
vachipukuta misodzi mai
ndokuzopfuurira mberi
vachiti, "ndarwadziwa zvekuti
ndangosimuka ndichimusiya
ipapo ndokuuya kuno
netsoka kutokanganwa
mucheka yangu." Vapedza
kutaura ndipo pandakatanga
kuverenga form riya
ndokutoona zvima signature
zvaNyasha. Ndakatadza
kuziva zvekuita ndokungobva
pavari ndichienda kumota
ndikaimutsa zvandisina
kunzwisisa zvekuti
ndakazongonzwa yave
mhere kumasure mai vachiti,
"batai Denny," asi ndiyani
aitevera munhu ane mota.
Nenguva isipo ndaive
ndasvika kwaMakuvaza
ndichitsvaga Nyasha.
Handina corner yandisina
kutarisa apa kushata kwazvo
kamunhu kacho kanga
kasina phone zvekuti
kukatsvaga kwaive
kwakaoma kudarika
kutsvaga mombe isina bhera.
Ndaona kuti ndakutsvaga uta
mugate ndakadzokera
kumba nehope yekuti
anenge aveko asi anga
asiko. Kwakasvika
pakuyedza asipo
ndokuendazve
kwaMakuvaza
kunomutsvaga
ndikazongowana kajacket
kake kaive padombo.
Ndakadzokera kumba zuva
rikadoka zvakare Mamoyo
asipo ava Mai Denny BP
yakwira zvechokwadi.
Kushata kwazvo Rabbi
akabva asvika pamba avigira
mwanasikana wake
assignment
End of chapter
https://chat.whatsapp.com/J
O7If2GkPI4EFvHtiHODER
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 9
Nyasha
"Ndaida kuti aite Fata,"
vakadaro Mai Denny vaona
mwanakomana wavo amira
padoor. "Maida kuti ndiite
Fata?" Denny akakanuka
akavatarisa ndokubva
vagutsirira musoro. "Zvekuita
Fata zvinoita zvekuudzirwa
here nhai veduwe and haasi
Mamoyo akanditadzisa kuita
Fata nekuti neniwo ndanga
ndisingatozive kuti maida kuti
ndiite Fata."
"Hamuna kuzondiudzaka
chakavapesanisa naDenny,"
ndakatotora mukana iwoyo
kuti ndivabvunze nekuti
Denny wacho aingotsika
tsika nyaya yacho. Honestly
speaking zvaiitika
ndaisatozviziva nekuti kumba
yavanga vakavaka naDenny,
Mai Ishe aigara ikoko
dzimwe nguva Ishe
omboendako pavanhu
achitonzi muroora
wekaMhangu but then
wozonzwa kuti vakarambana
naDenny. Mai Denny
vakatura mafemo
ndokuzongoti, "chakafukidza
dzimba matenga Mamoyo
handina chandingakuudza
uchiri mwana iwe plus chero
ndikataura ndozonzwa
ndakubvunzwa naDenny."
Handina kuzoramba
ndichivabvunzurudza tasvika
pacho pataienda.
End of chapter
https://chat.whatsapp.com/C
Xt4r23IimP0eRkExgHHd0
Written By Rue M
0788357900
Chapter 11
Nyasha
"Nyasha?" Vakaita
kakukanuka vakanditarisa
baba ndikati, "maswera sei?"
Baba vasati vadavira mama
vakati, "kwakanaka here
kwawauya pano this time?"
Handina kupindura mama
ndichitarisa mudenga
zvekuvhara misodzi nekuti
ndaitonzwa zvichinditi
chema. Pasina andibvunza
chaive chaitika ndatanga
kutaura nyaya yangu.
"Ndonzi Mamoyo,"
ndakadaro ndichifamba
nekuti mweya wekupinda
mumota wake wanga
watondiregedza nekunditi
Mai Denny. "Ehoi VaMamoyo
kana muchienda pandai
ndonokusiyai zvangu
paMado mozongodzika mave
padhuze," paakadaro
ndakazongopindira mumota
make nekuti anga anditaudza
nerespect kwete musi uya
waaingonditi Nyasha this
Nyasha that. PaMado pacho
hatina kunonoka kusvika
sevanhu vaitaura nyaya
zvichiendeka. Aindibvunza
nezvaRudo wepanext pedu
uya ana mbuya vekupa
vamwene vangu mushonga.
Anga adyira panaRudo asi
kuti amusvikire ega
zvairema. Ndakaburuka
mumota ndichitoseka
ndokubva apfuurira mberi
nerwendo rwake ndichida
kuti ndifambe ndokuona
mota yaDenny pamberi
pangu. I sensed disaster
there and there ndokubva
ndangochiller. Akaburuka
mumota make achiuchira
achiti, "wow Nyasha, I'm sick
and worried about your
whereabouts but here you're
enjoying yourself with that
bastard."
Ndakaita sendisina
kumunzwa ndokuti, "matii?
Tangidzai zvamataura,"
ndakadaro ndakarova
keserious kemunhu aishaya
zvekuita.
"Chakakutadzisa kudzoka
kumba chii? Unofunga kuti
dai wakanditaurira kuti
wakazvarwa neAIDS
ndaitadza kukunzwisisa pane
kuenda uchinopemha
semunhu asina murume.
Fine let's say waitya
kundiudza chokwadi asi
hawaizotadza kusvika
kumbaka. As of now ndiri
kubva kupolice kuno report
kuti handisisina kukuona.
You don't know kuti
ndanyadziswa sei ikoko
nekuda kwako
ndichibvunzwa zvisina basa.
It's good that you're back at
least chienda kumba kwenyu
hama dzako dzaikutsvaga,
uite zvaunoda futi ikoko,"
apedza kudaro akabva
apinda mumota
ndokutoimutsa ini
ndokutsvaga dombo
rekugarira sezvo ndanga
ndapererwa nezvekuita uye
ndisisina simba rekufamba
kuenda kumba.
End of chapter...
https://chat.whatsapp.com/K
XKzX5QvZln0i0Er6DVeyz
*Rue M Novels*
Let's be one
200rtgs
We Are One
200rtgs
Back to you
150rtgs
Rumbidzai
150rtgs
Scared to be lonely
150rtgs
Complicated love
150rtgs
Power of love
150rtgs
Promises
150rtgs
Loved
200rtgs
Dilemma
200
Ensnared
Free
Ecocash_0788357900
R.Mbombi
After payment inbox
0788357900 with proof and
get your full PDF
https://chat.whatsapp.com/G
Lf0TsX56kNHMFYyk9I3oi
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 12
Narrated
Nyasha akaramba
akatsikitsira padombo
mushure mekunge
azvimbirwa nemashoko
aDenny asi Denny wacho
haana kure kwaakasvika
sezvo aive akatarisa mukadzi
wake nepaview mirror.
Akadzoka nemota kusvika
panaNyasha kwakumuti,
"pinda mumota tinotaurira
kumba." Nyasha akaramba
akanyarara sezvo anga asina
kunzwa zvaive zvataurwa let
alone kuona kuti Denny
adzoka asi Denny akafunga
kuti Nyasha amu ignore
ndokutaura nehasha achiti,
"iwe Nyasha simuka ipapo!"
Nyasha ndipo
paakazovhundukaa
akasimudza musoro.
Achingoona Denny
akasimuka akatanga
kufamba Denny akafunga
kuti ari kudanana kupinda
mumota ndokuti, "saka
wanga uchida kushamisira
chii?" Nyasha haana
kupindura ndokupfuurira
pamota akupinda nekanzira
kanoguridzira kuenda kumba
kwaRabbi.
"Kakatsamweiko?" Akadaro
Denny aona kuti haasi
Nyasha wake waanoziva
akamboda kumutevera
ndokuona sekuti
akuzvidzikisira ndokugara
paakazoisa pride paside
akabuda mumota akatevera
munhu wake akabva
amushaya. Akapinda
mumota ndokuenda kumba
kwavo kunoudza vanhu kuti
Mamoyo amuwana izvo
zvakashamisa nekufadza
vamwe kunze kwaMai Denny
avo vanga vachangodzoka
kuchipatara. Mai Denny
vaitoziva kune muroora wavo
sezvo mainini vaNyasha
vaive vavatsvetera kuti
vasanetseke nekumutsvaga
vanaye. Dzimwe nhema
dzaive dzataurwa naMai
Denny vaive vabetserwa
kuruka namainini vaNyasha
nekuti vaviri vanga
vasangana pamota dzekubva
kwaMakuvaza. Chavaida
mainini vaNyasha hapana
aiziva nekuti agare
kumurume vaisada ivo
kugara naye pamba pavo.
Kunyararirwa naNyasha
kwakapa Denny hasha
akanonokerwa nekusvika
kumba kwavo kuti
anotangidza kutaura namai
vake nekuti reaction yaRabbi
yaive yamuratidza kuti
zvakaudzwa Rabbi
naNyasha nezvaaive audzwa
namai vake zvanga
zvakasiyana. Akasvika mai
vake vachangoenda
kunorara ndokuita
sezvavanoita zvekupinda
mubedroom make vasina
kunoka iye ndokubva aita
munyama wekupinda vasati
vapedza kupfeka akadzokera
panze nekukasika. "What's
wrong with you Denny?"
Akazvibvunza ave panze
pakashaya anomupindura.
"Mamoyo makamusiirei
kwaMakuvaza?" Akabvunza
achivabata mapendekete ese
zvine simba izvo zvavaive
vasina kutarisira
zvakashamisa chero baba
vake vakasiya jira ravaive
vakabata vachienda pana
Denny vachiti, "unoziva here
kuti ava ndimai vako?"
Akapindura baba vake
neziso chete ndokuita
kakuzungunutsa mai vake
achiti, "munoziva here kuti
ngozi inoripika?" Vakashaya
kuti airevei ndokubva ati,
"nhasi ndinoipara ngozi
yacho kana musingade
kutaura chokwadi."
Vakatanga kudedera Mai
Denny nekuyerera misodzi
yechokwadi kwete yegarwe
yavaimboyeredza. Zvanga
zvavarovesa nehana
zvavaive vakuitwa nedangwe
ravo nekuti hakuna mai
vaitarisira kudarwo nemwana
wekubereka. Vakatarisa
maziso aDenny aive
akatsvuka neshungu
achitofemereka nehasha
ndokubva vatoona kuti
kutaura chokwadi kuri nani
pane kurohwa nemwana.
Mamoyo nekunakirwa
nekuterera nyaya dzisiri
dzake akazoti ave manheru
achibva kunobvisa hovhorosi
yaDenny pawaya akanzwa
vatezvara vake vachinetsana
naMai Denny vari mumba
yavo ndokuisa nzeve
pamadziro akanzwa
vatezvara vachiti, "hapana
chauri kuzama Mai Denny
nekuti ikozvino Denny
haachatovimbe newe
sezvaaisita."
End of chapter
https://chat.whatsapp.com/Ll
H396XlWs3LXnwCuA3cXj
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 13
Unedited
Nyasha
Ndakazobva paberevere
ndadanwa naDenny. "Wanga
uchitora hovhorosi chete
kana kuti kune kumwe
kwawanga waenda?"
Akabvunza Denny
achindibata muwaist ndikati,
"ndanga ndakamira
pamadziro," ndakapindura
ndakamutarisa akaseka
achiti, "madziro ani?"
Ndakabviswa maoko ake
pawaist pangu ndikamuti,
"ebedroom yamai vako."
"Wanzwei?" Akabvunza
achindidhonzera paari.
Aitoda zvekutamba neni
asingaone kuti ndiri serious
ndikati,"handina
kumbozvinzwisisa ini but
vanga vachinetsana
vachiti..." Ndakabva
ndatanga kutsanangurira
Denny zvese zvandaive
ndavanzwa vachitaura
ndapedza akati, "let this stay
between us right."
"Ko mbuya vacho
vanozonetsera kugara newe
kuti uchiri mwana mudiki
here? Ndotoona sekuti
zvanga zvichitaura mama
zvekuti Ishe atorwe nambuya
vacho zviri nani handi achiri
mudiki?" I suggested that
zvikanzi naDenny,
"haungambozvinzwisise
Mamoyo." He was right
nekuti ndaitotadza
kuzvinzwisisa zvekuti Denny
aidiwa nambuya vake
zvaimutadzisa sei kugara
nemukadzi. Nyaya dzacho
dzaive confusing zvekuti
ndakasvika pakubatwa
nehope ndichizama
kubatanidza zvairehwa
nemurume nemukadzi.
Ndakapatika pakati pehusiku
nzara yandibata.
Ndakamboda
kumboshingirira semunhu
aive ambodya kusvika Denny
anditi, "Mamoyo chii chiri
kunetsa?" Ndakamboita
kakuvhunduka paakabvunza
nekuti ndaifunga kuti
akakotsira.
"Ndichakurova iwe!"
Akataura achiburuka pabed
ndokunditi, "hande
kukitchen." Ndakamuka
ndikapfeka ndakanyarara
zvikanzi, "uudze kamwana
kako kuti zvekumutswa
handide!" Aipopota tichienda
kukitchen Denny ndikamuti,
"kamwana kangu ndega
here?"
"Gonzo!" Ndakascreamer
ndaona gonzo mukitchen
apa richida kutonyeura
chigunwe changu. Iro gonzo
racho kuzoita stubborn kana
kumbonditiza ini nekuritya
ndokubva ndabvisa poto
yaive pamoto ndokuridira
maporridge aikwata
ndikapindirwa naDenny
ndichidaro. "Wakakwana
chaizvo iwe?" Akabvunza
achitora poto ndikati, "gonzo
Denny!" Ndakataura
ndichirinongedzera
paraidzedzereka richibuda
mukitchen. "Gonzo rinouraya
here?" Handina kumupindura
paakadaro ndokubva atanga
kumona sadza achiti,
"ukasaguta zvave zvako ini
handichazvipindire."
Ndakaramba ndakanyarara
ndichiterera hana yangu
yairova fast nekuda
kwegonzo. Denny apedza
kubika akandipakurira sadza
nemukaka ndokuti
ndonodyira kubedroom
ndokubva tabuda mukitchen.
"Akadii kundinyara
paaindipfimba ipapo?"
Vakabvunza voice rati kwirei
zvikanzi, "hurii seka zvako
mwana wemuyera shumba."
Vakaseka vachirovanisa
maoko avo Mai Firi vakati,
"chinosekesa chii?"
"Kuti Donny akakupfimba,
wakanganwa kuti waisabva
pano zvemabhanzi zvako
uchimunyengerera kuti
atenge kuita
seuchamubvisira hembe,"
vaitaura zvekusvotesa Mai
Firi avo vakazoti, "ini handizi
Mamoyo anokutyai
ndokukwapaidzai. Maita
rombo rakanaka kuti nhasi
isvondo ndiri kuda kuenda
kuchurch handide
zvekubviswa pana Mwari."
Vadaro vakabva vatora
bucket ravo vakananga
kumogodhi. Pamba pana
Denny paive pakanakira kuti
mvura yaivepo tanga tisina
pressure yekuenda kutsime
kana chibhorani. Mugodhi
iwowo ndaive
ndakambomutukirwa naMai
Denny zvichinzi ndiwo
wandakachiva ndikada
Denny. Tell me honestly
ndiyani agadira mukomana
nekuda kwekuti pamba pavo
pane mugodhi? However
pamba pana Denny panga
pakanaka muvillage mose
nekuda kwaDenny aive
aparenovater.Paive
pakanaka zvekuti vegodo
vaitoti vakaromba chete
worse nemombe dzavo
dzaive dzakawanda kuzoti
gohwo taisataura.
Sezvineiwo tese
takagadzirira kuenda
kuchurch kunze kwababa
vainzi havasi kunzwa
zvakanaka. It was my first
time kuenda kuchurch ndiri
kumba kwana Denny so
sekuziva kwenyu pakaita
controversy panyaya yefront
seat pakati pangu naMai
Denny.
"Ini handingambogare
kumasure uniform yangu
inoita dust," vakadaro Mai
Denny vachizunza zunza
skirt yavo yaive
yakazvichenera. Yanga
isitorina basa chero ikaenda
dust nekuti hapana airiona
you know mauniform eRoma
zvaari.
Pakusvika takabva
tasanganidzana nababa
vachibva kutoilet vakasvuuka
face yese nemaoko
nemakumbo zvinoita munhu
atsva nemvura. Denny
akatora nguva akavatarisa
ndokuti, "matsva nei?"
Havana kumupindura
ndokubva abvunza zvakare
kuti, "maita sei?"
"Ndakatsva madeko,"
pavakadaro takangosiyana
navo though tese taiziva kuti
vanga vasina kutsva
manheru. Takapinda
mukitchen ndokuona muri
zvatamusiya muri Moto usina
kubatidzwa. "Vatsva nei nhai
Denny?" Ndakabvu Denny
uyo aipinda mukitchen akati,
"handi ndiwe wakavapisa
nemaporridge."
End of chapter
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 14
Unedited
Nyasha
"Handisi kunyatsoona,"
akadaro Denny akavhara
muromo zvikanzi naMai
vake, "ita zvekupfugama"
Akaita sekudaro
ndokuzonzwa murume
mukuru akuti, "mhai!"
Akasimuka fast
achidonhedzera phone
yaGrace mukati. Nekuda
kwekuti mugomba manga
mave nelight rephone naMai
Denny takakwanisa
kudongorera asi ini
ndakangoona kagumbo
kemwana Mai Denny
vakandidhonzera panze.
Ipapo pfungwa dzangu
dzakangomhanyira kufunga
kuti baba Denny vanoziva
nezvekamwana kaive
mutoilet sezvo vanga vari
prime suspect panyaya
dzakadaro. Ndakaona
Denny ovandundurudza
achiuya navo kutoilet
vachingoti, "ndaita sei nhai
Dennis?"
End of chapter
*How to subscribe*
Ecocash
0788357900 R.Mbombi
*Buddie airtime*
0788357900
*NB* vane ecocash please
isai cash airtime toitira vasina
ecocash kwete kuzoisa
airtime through ecocash
please.
Vari kuSA munogona
kusender airtime through
Mukuru.
https://chat.whatsapp.com/K
3PEHG59gTGAug0azvU7kV
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 15
Nyasha
"Mamoyo!" Ndakanzwa
Denny akundidana panze
ndokuenda ndisina kudavira
zvangu. "Ndiri kuda
kugezaka," akadaro ndasvika
paari ndikati, "kugeza kana
kugezeswa?"
"Wazovafonera?"
Ndakabvunza Denny
ndichimuka zvikanzi,
"ndambokuudza kuti ndoda
kuvafonera?"
End of chapter
*How to subscribe*
Ecocash
0788357900 R.Mbombi
*Buddie airtime*
0788357900
*NB* vane ecocash please
isai cash airtime toitira vasina
ecocash kwete kuzoisa
airtime through ecocash
please.
Vari kuSA munogona
kusender airtime through
Mukuru.
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 16
Narrated
Baba Tara vanzwa mashoko
emunin'ina wavo
vakadonhedza demo
nekupererwa ndokufamba
zvishoma nezvishoma
vachienda kuna Fungai uyo
akaramba akamira nekuziva
kuti hapana zvaizoitwa vanhu
vakatarisa. Mai Tara
vakaramba vakarara pasi
nenyadzi uyuwo Grace
achitariswa naNyasha paive
atsva paruoko.
"Dzokorora zvawataura,"
vakadaro baba Tara vamira
pamberi paFungai iye
ndokubva afamba achienda
kuna Mai Tara achida kuona
kuti vari sei. Akavabatsira
kumuka akanovagarisa
padoor rekitchen ndokubata
nevamwe kudzimura moto
chero zvinhu zvaive mumba
zvanga zvakutsva.
Zvekudzima moto zvichipera
baba Tara vakabva
vasimudzira nyaya yavo.
Fungai akakaruka abatwa
akarivara akanzi, "saka
mupfanha unoreva kuti
kachinhu kako aka ndiko
kakanhumburisa mukadzi
wangu?" Akabvunza
achibvisa kashort kaFungai
ako kakadonha kusvika
kumakumbo akasara ari
musvo sezvo aive
akangopfeka kashort
semunhu anga angomukawo
paakanzwa noise. Pane kuti
asimudze kashort kaive
kadonha akamhanyira
kuvhara nhengo yake.
End of chapter
*To be on sale from 20.*
200RTGS or R50 asi kune
vachatenga book before
chapter 20 mosender
150RTGS or R30
*How to subscribe*
Ecocash
0788357900 R.Mbombi
*Buddie airtime*
0788357900
*NB* vane ecocash please
isai cash airtime toitira vasina
ecocash kwete kuzoisa
airtime through ecocash
please.
Vari kuSA munogona
kusender airtime through
Mukuru.
*Price yeecocash neairtime
yakafanana*
*SA subscribers*
E-wallet- +27628789728
Chapter 17
Narrated
"Ndavaguma vachipinda
muroom mamai umo pamwe
vatorivara vakabatwa nehope
vanga vachiti vakaneta,"
ndizvo zvakataura Mai Tara.
Denny akaenda nemwana
ikoko akanoka ari padoor
sezvo anga atongojaira
kugogodza asati apinda
mumba mamai vake. "Mai
Ishe!" Akadana mukadzi
wake Mai Ishe ndipo
pavakati pengenu ndokuona
kuti vana tezvara. "Hee!"
Vakadavira murume hana
ichirova zvikanzi naDenny,
"tora mwana uyu urare
naye." Akadaro Denny
achipinza mwana mumba
ndokubva atofuratira
semunhu aisada kudarikwa
nenyaya.
Zuva rakazofamba
zvakanaka asi Mai Denny
ndivo vakaita
sevachashoshomera voice
nekutsanangurira vanhu kuti
imba yakatsva sei. Mamoyo
ndiye ainonokerwa nekuuya
kwaDenny kuti amuudze
breaking news. Denny wacho
akazodzoka pamba zuva
ravira akangosvika achidana
mukadzi wake kubedroom.
Mamoyo akatoona mood
yaDenny akareader ega kuti
hazviite kuti ataure nyaya
yake isina evidence
kwakudzikama akamirira
kunzwa zvaaive adanirwa
zvikanzi naDenny, "ndataura
nababa vako masikati
tikatenderana kuti unofanira
kudzokera kumba."
*HOW TO SUBSCRIBE*
-Ecocash
-E-wallet
-Buddie airtime
-Cell C airtime
*Ecocash*
0788357900 R.Mbombi
*E-wallet*
+27628789728
*Buddie airtime*
0788357900
*Cell C airtime*
+27628789728
Written By Rue M
0788357900
Chapter 18
Narrated
"Chokwadi havasi
vekutevedzera vanhu ava
vakasati vaona chiga cherufu
kana ngozi iri kukutevera
vanototaura izvozvo
zvekuromba nekusundirwa
mamhepo," akatsigira umwe
waDenny vatatu
vakatozoswera vachiseka
maporofita. Pasina mazuva
maviri Denny akabva audzwa
naNyasha zvaaive anzwa
vabereki vake vachitaura
zvekuti mbuya vakunetsera
Denny. Denny haana kuda
kuratidza kuti zvaive
zvamubata kune mukadzi
wake asi aive akutobatanidza
mashoko amadzibaba
neemukadzi wake ndokubva
zvamushaisa hope. Akada
kunobvunza vabereki vake
akashaya pekutangira nekuti
zvaisaita kuti mwana
angosvika achiti, "ko
makaromberei neni?"
Nyaya yegodo ndiyo yaive
yatuma baba vaDennis kuti
varombe. Vakaenda
kun'anga vachida mushonga
wedivisi nekuita mari
nekahupenyu kakanaka.
N'anga yaitoda ropa
remwana wavo wekutanga
Mai Denny nemoyo
wekubereka vakati
vanotambura zvavo
nenhamo pane kuurayisa
Dennis. Baba Denny ndipo
pavakazochema chema
nen'anga vachikumbira imwe
nzira inoita kuti vaite mari
pasina kuuraya mwana ndipo
pakazonzi Denny oita
murume wen'anga. Vaviri
vakangozobvuma kuitira kuti
zvivapfuure zvavanoda zviite
asi Mai Denny
nechemumoyo vaitoti mwana
wavo haangamboite mukadzi
wen'anga.
Akamboda kuramba
paakatsvagirwa Mai Ishe
ndokuzongopedzisira
abvuma. Kuroora kwaDenny
kwakatsamwisa n'anga iya
zvekuti yakavinga Mai
nababa Denny husiku pamba
ichida kutotora Denny. Mai
Denny vakarambisisa
nemwana wavo mbuya vaya
vakati hazvina kushata
kwakuchiti baba Denny ndivo
vachafanobata chinzvimbo
chaDenny kusvika arambana
nemukadzi wake uye ivo Mai
Denny ndokubva vapihwa
imwe mhiko yekuti
havasangane nemurume
wavo kusvika vapa n'anga
Denny sezvo vanga vatorera
mbuya murume vachipa Mai
Ishe. Baba Denny zvekurara
nespritual wife vaisada asi
havana zvavaizviita.
*Notice*
To be on sale from chapter
20. 200RTGS/ R50 asi kune
vachatenga book before
chapter 20 munosender
150RTGS/ R30.
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 18
Narrated
Denny sedangwe akatoona
kuti akasamutsa musoro
musha wavo unota chiseko
chenyuka ndokubva afunga
kuenda kuna madzibaba
vakambomuporofita mazuva
aiivaka kwaNyika akatovaita
sevasina kukwana.
Vaitozvipfuurira nenzira
ndokutsauka vamuona
achivaka vakasvika paari
ndokutanga kurumbidza
imba yaavaka vapedza
ndokuzoti, "murandarume
ndiri kuona pane mukadzi ari
kurwisana nemukadzi wako."
Madzibaba pavakadaro
Denny akatanga aseka,
"madzibaba matove online
kana muchiri panyama?"
Vakadzungud a musoro
madzibaba vaya vanzwa
tsitsi vakamutarisa sezvo
vaiona zvaisaona.
Akamboda kuramba
paakatsvagirwa Mai Ishe
ndokuzongopedzisira
abvuma. Kuroora kwaDenny
kwakatsamwisa n'anga iya
zvekuti yakavinga Mai
nababa Denny husiku pamba
ichida kutotora Denny. Mai
Denny vakarambisisa
nemwana wavo mbuya vaya
vakati hazvina kushata
kwakuchiti baba Denny ndivo
vachafanobata chinzvimbo
chaDenny kusvika arambana
nemukadzi wake uye ivo Mai
Denny ndokubva vapihwa
imwe mhiko yekuti
havasangane nemurume
wavo kusvika sezvo vanga
vatorera mbuya murume
vachipa Mai Ishe. Baba
Denny zvekurara nespritual
wife vaisada asi havana
zvavaizviita.
End of chapter
*Notice*
To be on sale from chapter
20. 200RTGS/ R50 asi kune
vachatenga book before
chapter 20 munosender
150RTGS/ R30.
*HOW TO SUBSCRIBE*
-Ecocash
-E-wallet
-Buddie airtime
-Cell C airtime
*Ecocash*
0788357900 R.Mbombi
*E-wallet*
+27628789728
*Buddie airtime*
0788357900
*Cell C airtime*
+27628789728
*E-wallet*
+27628789728
*Buddie airtime*
0788357900
*Cell C airtime*
+27628789728
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 19
Nyasha
Kuda kutobvunza Denny
chandaive ndamutadzira
akabva atobuda mumba
achiti, "ndoda kudzoka
waenda kumba kwenyu!"
Ndakapererwa ndikagara
pasi ndichishaya kuti chii
chakaitika pakabuda Denny
chaita kuti adzoke
achindiramba.
"Uchiri wakagara ipapo?"
Akadaro adzoka mubedroom
ndokubva ndati, "handi wati
vana tete vangu vari kuuya
kuzonditora?" Ndakapindura
ndichisimuka zvikanzi, "iyoyo
nyaya yekundipindura ndiyo
imwe yakudzokeresa kumba
kwenyu." Ndakamutarisa
akandiridzira tsamwa
ndokubva ndati, "kana
ukandibvunza handi unenge
uchitarisira kupindurwa
here?" Haana kupindura
ipapo kwakuenda
pawardrobe akatanga
kuburitsa hembe dzangu
achikanda pasi. Nekushaya
zvekumuita misodzi
yakatanga kuyerera ndikati,
"sorry Denny
handichapindure."
Akacheuka ndokudzungudza
musoro akanditarisa
akapfuurira mberi
nekuburitsa hembe ini
ndokuramba ndichiti,
"sorry,"nekuti ndaisada
kudzokera kumba. Hapana
chinorwadza sekukumbira
ruregero usina mhosva
yawapara sezvandakaita
ipapa.
"Denny hauchatondide?"
Ndakati ndibvunze munhu
kwakuramba akanyarara
ndikati, "kana usina
kundipindura handibve
pano." Akanditarisa akaseka
zvikanzi, "madrama ako
haashande pandiri wanzwa?
Iwe chimbodzokera kumba
kwenyu unokura nekuti pano
hapana zvauri kuita."
Ndakaramba ndakanyarara
ndokutoenda pabed ndichiti
ndizvirarire handi ndaive
ndakanzwa kuti marriage
ndeyekushingirira saka
zvaitika ndakangozvitora
normal. After all vanhu vese
vaingonetsana asi semunhu
wemukadzi handaifanira
kuramwaka.
"Pamwe haachandide,"
ndakadaro pakashaya
anopindura vanhu
ndokumbochinja nyaya
vakuita zvesadza. Vanhu
vapedza kudya takaenda
kunorara naGrace
achindinyaradza, "haikona
kuchema sewafirwa Nyasha.
Denny anogona kutofunga
kuti akukaurisa asi
asingazive kuti atokugonera
hona apa ukanyora form four
panozobuda maresults
unenge wazvara woenda
kucollege zvevarume izvo
wozoita wave nestart funga
kuti chero ukanzi wapasa uri
kumba kwavo ungaenda
kucollege iwe?" Grace anga
akutofunga zvemberi
whereas ini ndingori
nemubvunzo wekuti saka
ndarambirwei. Paive
andiudza kuti ndidzoke
kumba ataura nababa vangu
ndaitoti hameno
zvavataurirana vakaona zviri
better ndibve pamba pavo
asi pandakatozoona kuti
zvekuti vana tete vauya
kuzonditora dzaive nyambo
dzaDenny ndakatadza
kugadzikana zvachose kubva
ndatoitwa saMai Ishe
vakangorambwa pasina
chikonzero chakati sviki but
apa ndanga ndakunzwa
nyaya dzekuti vakarara
nababa vaDenny hameno
kana chaive chokwadi. Ini
ndaive ndisina kana
chandakanganisa ndongonzi,
"pack yours and go."
"Hameno ndichatonzwa
nababa Tara kuti chii chiri
kunyatsoitika," akadaro
Grace ndokunyarara
vandiona. Iye Grace ndanga
ndisingachanzwisise
kakuwirirana kake nababa
Tara. Yes anga ari munhu
anongodidikika zvekuti chero
mama pavakadzoka ndivo
vakatotaura zvekuti auye
kumba tigare naye sezvo
aizoshandira mahara
achigara kwaNyika
nemarentals. Baba Tara
ndivo vaimuperekedza
kubasa every morning
zvekuti ndaingoti, "itsitsi dzei
tsvimborume kubvisa mwana
wemvana madzihwa?"
End of chapter
19...ngatisanganei kusubgrp
On Sale
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 20
Nyasha
Ndakangosiya Grace
paMado ndokudzoka kumba
asi ndakatoenda neroad
yekutenderera kuavoider
kuona Denny pamba paMai
Ishe asi ndakabva
ndadhumhana naye
pagoronga. Ndakaita
sendisina kumuona
ndokumupfuura zvikanzi,
"Mamoyo!" Ndakaramba
ndakaomesa gotsi ndichiita
sendisingazvinzwe
ndokunzwa akunditevera.
"Haundizive zvakanaka,"
ndakadaro nechemumoyo
ndokutanga kumhanya.
"Mamoyo ita serious iwe,"
akadaro nevoice rakazara
setswa ndokuramba
ndichimhanya but handina
kwandakasvika ndanzwa
sharp pain kumusana. "Ahh,"
ndakadaro ndichikotama
Denny kwakuzosvika
pandaive. "Mamo?" Akadaro
ndikasimudza musoro
ndichiti, "mwamwo mwamwo
chii chacho? Ndonzi Nyasha
Moyo," ndakataura
ndichirova ruoko rwake
rwaive rwandibata zvikanzi,
"horaiti Nyasha Moyo."
"Chimbomira
kundichenamira ndikuudze
zviri kuitika," akataura
andibata maoko ese
ndokumuti, "enda unoudza
Mai Ishe."
"Ini ndakatodzoka
kumarriage kwacho iwe kana
wada zvekuenda kumarriage
zviri nani uende kumwe
kwete kwaMai Denny,"
ndakadaro zvikanzi, "say that
to yourself because ndiwe uri
kuda kudzokera kwaMai
Denny."
Vakandisiira maquestion
paper baba musoro ukatanga
kutenderera ndakamatarisa
but pandakafunga mashoko
aGrace ndakawana energy
ndokubata bepa ndichismiler
nechemumoyo ndichiti,
"ndikangopasa ndoenda
kunursing chete
ndozoshandira muno
ndotanga kudadira Mai
Denny vauya kuzotora
mapiritsi eAIDS neBP
kuchipatara. Ndaive
ndakutozviona ndakapfeka
uniform yenursing kare so
zvenursing zvakandipa
simba. Pandakapedza
nequestion paper Grace
anga aenda kukitchen
kunotandara nevamwe
vachidya saka ndakati regai
ndiendewo ndichibuda
mumba maitairara kwakuona
kwakupotsa ndatemwa
nedombo. Ndakatarisa
kwaibva dombo ndokuona ari
Denny paakaona kuti
ndamuona akabvi aita sign
yekundidana kwaive. Ndisati
ndatofunga zvekuita baba
vakabva vabuda mukitchen
vachiti, "ndiyaniko akamira
uko?"
End of chapter
On Sale
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 21
Nyasha
Ndairongedza zvinhu zvangu
zvishoma nezvishoma
nekutya kudzokera kumusha.
Hapana chimwe chaindityisa
kunze kwaDenny nekuti
ndaisaziva kuti akasara
akadii. Tinashe ndiye
aitoshaya pekubata
nemufaro wekuda kunoona
vamwe kumba. Atoona kuti
mai vake vari kuita
zvekunonozera akatanga
kundibatsira chero hembe
dzaingopfekerwa. Tapedza
takenda kunooneka landlord.
"How's Denny?"
Ndakabvunza ndiri serious
zvikanzi, "kwakanaka hako?"
Ndisati ndapindura
ndakatarisa Tinashe
ndokuona atokotsira ndikati,
"ehe kwakanaka."
"Handiti zvemiscarriage
yaive idea yako asi kana
Tinashe akabvunza
nezvadad vake haundibatsire
kunyepa you know?"
Akadzungudza musoro
pandakadaro ndokumuti,
"paya mainditonga as i was
vulnerable but from now
onwards ndoita zvandinoda."
"Takuendepi futi?"
Ndakabvunza Tinashe aive
andikandira mapumps iye
achipfeka matennis.
"KunaMai Denny?" Akadaro
hana ikarova ndikashaya kuti
azvinzwepi zvaMai Denny.
"Kunodii ikoko?"
Ndakabvunza zvikanzi,
"hanzi nagogo ndiye ana dad
vangu. Hande
tinomutoya(ra)."
"Toenda mangwana
kwachena," pandakadaro
akandisungira face
kwakunditema netennis
akabuda mumba
achimhanya ndokudzoka
kwandiri achichema aona
imbwa. Ndakamusimudza
ndikatanga kumunyararidza
pakabuda mama mukitchen
ndikati, "chokwadi mama
mungaudza Tinashe zvaMai
Denny?"
"Tishikewo," akadaro
Tinashe ndokubva ndazoti,
"tisvikewo." Ndakangoringa
ringa imbwa dziya dzaisirura
ndikashaya one. "Svikai!"
Ndakanzwa Mai Denny
vachidaro ndokubva
ndazvishingisa kufamba
ndichienda kumukova kedu
Tinashe kakamhanya
kachipinda mukitchen kachiti,
"dad vangu vayipi?" Dai
Tinashe aisava mwana
wangu ndaigona kumutiza
ipapo nekuti kutya kwandaive
nako nguva yacho
kwaikunda ngoma kurira.
"Ndokumbirawo kutaura
newe Denny," ndakataura
nevoice riri calm zvikanzi,
"Nyashakaa?" Ndakademba
chandaive ndaitira dzungu
rekuuya naTinashe. Iye
mufaro wese wekuda kuona
baba wakabva wapera kuti
tsvai ndokuti nama pandiri
akuti, "hande kumba." Denny
amutora ndokumusimudza
akamboita kakutya nekuti
Denny anga apinda mumba
nehasha. Tinashe dad vake
aivaziva sezvo ndaimuratidza
maphoto. Takabuda mumba
tiri vatatu tichienda
kubedroom.
End of chapter
On Sale
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 22
Dennis
"Kumuzoro chii?"
Vakabvunza Mamoyo akati,
"icho chirwere chamakabva
nacho kwasabhuku mukati
hamungakabire mega."
Ndakatoshaya kuti zvaibvepi
zvaaitaura ndokungomusiya
apedza kutaura akabva
atanga kufamba ndikati,
"Mamoyo handina chirwere
ini."
"Mamoyo wakuzviwanza
virus ipi yandinayo? Apa
wakutoita sevictim asi
anofanira kutsamwa ndini
nekunyepa kuti wakaita
miscarriage," ndakapindura
ndichibata Tinashe ruoko
zvikanzi, "siya mwana wangu
iwe." Tinashe wacho
aingotitarisa achishaya kuti
zviri kufamba.
"Tozotaura mangwana
Nyasha, uri kudzokera rini
kuHarare?" Ndakabvunza
ndakuenda kwaari akati,
"kuHarare?"
"Hezvo ndatokubhowa
zvekuti hauchade kundiona
muno? Bva enda
kwasabhuku unondidzingisa
muvillage macho,"
kunzwisisa kwaNyasha
kwanga kwave kushomana
asi ndakangomupfavira
zvakadaro ndokuti, "ndanga
ndichida kungoziva semunhu
ari kuda kuita bond
nemwana."
"Handisi kudzokera
ndakawanirwa basa
kuchipatara kwaNegovani
ndiri kutotanga this Monday,"
akadaro ndikati, "oh that's
great makorokoto."
Ndakabva pakasango
ndichimhanya ndokuona
Tawanda akamira pamota
yangu. Aive akutozviti
Prophet Tawanda but
semunhu wandakadzidza
naye zvaingondiitira funny
kuti angatoporofita
nekuoneswa naMwari
chaiye. Mupfungwa dzangu
ndaingoti akajoiner squad
yemamwe maprophet
yekudyira vatendi mari.
Akatanga kundiporofita
nechirungu ndichisekera
mudumbu kuti munhu
wandaikopesa muclass
akutoda kundiremera
nechirungu. Paakazotaura
zvekuona deathday
raNyasha ndipo
pandakazomutora serious.
Aiti pane vanhu vaida kuti
Nyasha atange aita
miscarriage ozorwara
kusvika pakufa zvongonzi
kubva kwenhumbu ndiko
kwakonzera kuti rufu. Akada
kunamata achiita back to
sender ndikakasira
kumumisa nekuti paigona
kuzofa mai nemwana
zvoreva kuti chero ini
ndaigona kufa kana kuti Mai
Ishe naIshe so back to
sender was not an option.
Semunhu waMwari
ndakamuti anditsvagire
solution pasina zvekuurayisa
vanhu ndipo paakati
hapasisina time so
kudzosera Nyasha kumba
kwavo for the meantime
togadzirisa musha asipo
tozomutora zvinhu zvave
settled nekuti as long as
Mamoyo aripo hondo yacho
yainetsa kukunda kana
tisingaite back to sender
ndipo pandakadzosera
Nyasha.
Mai naMai Ishe vaona
ndadzosera Nyasha
vakafunga kuti zvimhiko
zvavo zvashanda ndokubva
Mai Ishe vatouya pamba
nekuda kuvaavoider
ndakabva ndatanga kurara
kumba kwavo naIshe saka
zvakazongoendawo
nepamwe ndokuonekwa
naNyasha ndiri pamba pavo
makuseni akangoconcluder
kuti ndakadzokerana naMai
Ishe munhu kwakutoenda
pasina kunzwa side
rangu.Pandakada kubvunza
Grace nezvaNyasha akabva
ati ave kugara kuHarare
kukumbira number akaramba
futi apa anga ave kutobatira
grudge kurambana
kwaakaita naDione.
Pandakazomuvinga kepiri
ndichibvunza zvenhumbu
ndipo pandakatauriswa
naNyasha paphone akati
yakabva ndokusiyana nazvo
ndichiti ngaamboita yaanoita
ini ndichigadzirisa chikaranga
chemumusha medu.
End of chapter
On Sale
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 23
Nyasha
Ndakasvika kumba vanhu
vasati varara kunze kwababa
ndikatozengurira kunotaura
navo ndichiti ndingavanetse
ndozotaura navo mangwana
but then kungochiller
kwavaive vaita pandakaenda
naTina ndiko kwakazoita kuti
ndifunge kuti
vakanditsamwira ndokuenda
kunotaura navo.
"Mama chemawoka,"
ndikaseka pakadaro Tina but
kuseka ikoko
kwakazopedzisira kwave
kuchema zvinova zvaida
Tana akatanga
kundinyararidza.
Ndakanyararidzwa
ndikakasira kunyarara chero
ndaipota ndichisimudzira.
"Mapenzi evanhu,"
ndakadaro ndichigara pabed
ndokutanga kuratidzwa
zvaaive atengerwa. Munhu
kwakutanga kupima hembe
dzese kuti ndione.
Ndakatombokanganwa kuti
ndafirwa ndichismiler
ndakatarisa Tina.
"Ndakazopihwa mumba
nasabhuku saka kana
ukangoti bho ndototanga
kuvaka," akandizevezera
Denny ndikati, "uri kumboti
chii iwe?"
Paakauya kumariro
akatomira mira semukwasha
kwenguva diki ndokuenda
kumwana sezvo anga ave
main priority yake. Mariro
achipera vanhu vakaenda
kudzimba dzavo including
Grace mama kwakuzouya
kwandiri vachiti, "mumvuri
wako hausisipo pano."
Ndakatadza kunzwisisa
zvavaitaura ndokutotarisa
pasi ndichida kuona mumvuri
wangu zvikanzi, "usade
kundiita benzi iwe."
Ndakatura mafemo
ndokuzoti, "ehoi ndoona
yekutamba."
"Neweekend unofanira
kunge wabva pano,"
pavakadaro
ndakangobvuma. Yaive
nyaya yekuti ndanga ndave
naTinashe pasina izvozvo
taitisana nharo kusvika
kumapena nekuti panga pari
pamba pababa vangu asi
semunhu aimboda kubvisa
nhumbu ndakatotya kuti
vanogona kutoita anything
kuna Tinashe.
End of chapter
On Sale
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 25
Nyasha
"Havachataure bamukuru
zvaiwana ngwarati,"
ndakanzwa Mai Firi
vachidaro panze ndokuzama
kutaudza Denny ndokutoona
kuti munhu haasi kutaura
zvinonzwikwa. Malips
aitoonekwa kuti ari kumover
asi kuti tinzwe zvaitaurwa
kana.
Ndakadzokorodza kuverenga
chat ndokuona kuti anga
akatoitisa maDNA test ake
naTinashe.
End of chapter
On Sale
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 24
Unedited
Nyasha
"Chienda kunogeza"
akataura achiita
kakundisunda ndikamutarisa
neface inonzwisa tsitsi
ndichiti, "nemvura
inotonhora?" Kungofunga
kuti ndiri kunogeza nemvura
inotonhora kwakandipinza
chando zvikanzi naDennis,
"ndazviziva hangu kuti
haushaye maexcuse
panyaya dzekugeza.
Nanhasi uchiri kutya mvura
babe?" Ndakaseka adaro
ndikamurova pachest
ndichiti, "watanga
ndakambovenga mvura
sarini?"
"Ko chamunomukira chii
kana muchiri kuda kubatana
imwe show off yenyu
inotosemesa?" Vakapfuura
nepataive takamira vachidaro
Mai Firi zvikanzi naDenny,
"umwe munhu ari kuapplier
kuswera achitonhorerwa."
"Unoziva sometimes
ndombofunga kuti
wakandidyisa," akadaro
Denny achindirova shoulder
ndikati, "taura nyaya yako."
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 26
Unedited
Nyasha
Pane kuti ndifunge kwekuti
tiende sezvo taive tadzingwa
naMai Denny ndakatora
mwana wangu ndokubuda
naye ndichienda
kwandaisaziva
ndokuzongoona kuti better
kuenda kwaMado kunomirira
doctor vaDenny. Phone yake
ndanga ndichiri nayo saka
ndataura naDoctor vacho
paphone ndichiita saDenny
ndikatosender message
yekuti, "right now ndaita busy
ndiri kutuma madam
kuzotora."
"Handidi!" Ndakadaro
zvikamuitira funny akaseka.
Mai Puro vacho vakasvika
pakutibata nestep
yataifamba. "Mai Tinashe uri
sei?" Vakandimhorosa
vachifemereka semunhu
anga afambisa kuti andibate.
"Kumuenderepi?"
Ndakabvunza ndichikanuka
zvikanzi, "asikana Mamoyo
usadaro ndiri mukadzi sewe
unoziva nhamo dzemumba
umu unoti ukandiudza
ndinoudza ani?"
"Anozvinzwa nani?"
Akabvunza ndikati, "nevanhu
ivavoka vawaitira DNA test."
Akarova wardrobe nehasha
ndikati, "i did expect this from
you Denny and I can't
believe that your affection
towards her was also fake.
Everything was lie Denny!"
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 27
Dennis
Doctor vaive vatondiudza kuti
Tinashe mwana wangu saka
panga pasina need
yekutarisa report asi
semunhu mutema
ndakatongovhura envelope
ndikavarenga Nyasha
akadzoka mumba ndakabata
mapaper aya zvikanzi,
"you're doubting your doctor
too? Wadii watoenda
kun'anga yako?" I chose to
ignore her ndokubva
ndabvarura mapaper aya
ndichibuda panze
ndokunomakanda mukitchen
mumoto. Tinashe akabva
auya kwandiri
achicomplainer nzara. Anga
atove manheru apa vakadzi
vacho hapana airatidza kuti
ari kuda zvekubika.
"Mira ndikubikire," ndakadaro
ndichimubata musoro
zvikanzi, "tobika teseka?"
Ndakagutsirira musoro
akafarira kuti taibika tese.
Ndakangotora kapoto kadiki
kedu tiri vaviri nekuti kubikira
musha wese ndaizotoiswa
paduty nanaNyasha.
"Haunyare? Kustand
kwaunoenda kuma10 here?"
Akadaro ndikati, "saka ndiri
kuendepi?"
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 28
Nyasha
Pamba panga pave nepeace
two days dzaive dzisipo Mai
Denny vari kumariro chero
Mai Firi natete Shuvai
vaipota vachinetsana.
"Aikazve chirudzii?"
Ndakataura nevoice rekuda
kutapa zvikanzi, "handiti
nezuro ndakaomesa imwe
paya ndichiti tozodya
pamberi apo nhasi ndakubika
nenyevhe sandi kupopota
vachiti nyama yakauya
nezuro iripi ndakutoita basa
rekudya nezvikomba zvangu
chero ndimiwo."
"Chimusikana chipizve?"
Ndakabvunza zvikanzi,
"chiyaka chaipengesana
nacho uri kuMasvingo
kuchikoro," vakadaro
ndikafizuka ndichifunga kuti
Denny akatosara achidanana
nevanhu zvekusvika
pakupengesana.
Paakandiudza ndaifunga kuti
kwaingove kuitisana badzi.
"Ngazvipere," ndakadaro
akati, "sorry it's just that I feel
bad vanhu vakatanga
kutaura zvandakaita usipo.
Ndofeeler as if ndaikucheater
and I hate that feeling."
"Portia Banda?"
Ndakakanuka ndichidaro
akaseka achiti, "ehe kasi
haaite?"
"Tisvikewo," akadaro
ndikaziva voice racho ndikati,
"svika."
"Kwakanaka hako?"
Ndakamubvunza Portia
achipinda mukitchen
ndokuramba akandinyararira
ndikadzokera mukitchen.
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 29
Nyasha
Ndakasimudza Tinashe
ndichienda naye kubedroom
kuti asanzwe mashura
aPortia nababa vake. Denny
akauyawo kubedroom
ndichidyisa Tinashe
akanditambidza plate yangu
iya yaiswa husavi
hwechimunya chaMai Denny.
"Ndave bho," ndakapindura
ndichitura mafemo zvikanzi,
"ungaramwa sadza nekuda
kwamai Mamoyo?"
"Handina kuramwa Denny
but ndangofizuka
ndichazodya kana
ndazonzwa nzara."
Ndakapindura ndichigadzika
plate pasi. "Watsamwira mai
kana kuti kuuya kwaPortia?"
Akabvunza achigara pabed
ndokusimudza Tinashe
achimugadzika pamukumbo.
"Tozotaura mangwana
ndoda kuzorora
ndakunogeza ini," ndakadaro
ndichibuda mumba
ndichienda kukitchen
kunotora mvura yangu
yekugeza yandaive ndaisa
paside pemoto kuti ibve
chando. Ndakasvika Mai
Denny vachigezera maoko
avo muchimugomo chaive
chakazara mvura apa
vachiziva kuti ndeyangu.
"Tora mvura unogeza
muroora maoko angu anga
asina tsvina aya zvanga
zvingori zvimasadza chete,"
vakataura vachipukuta
maoko avo nechemumoyo
ndikati, "chero yanga isina
masadza handaiigeza." Mai
Denny vaingoti kana voda
kuweta voenda kuseri
kwemba votoita ikoko
vapedza votopukuta
nemaoko and hameno kuti
vaizvifambisa sei kuti
iyerere? Waitoona munhuwo
achipukuta otokwiza maoko.
"Hautambe neizvozvo
Denny," ndakataura
ndichimurova kambama
zvikanzi, "look who's
coming." Ndakatarisa
kwainongedzerwa ndikaona
ari Portia achisvika nechikafu
chemabhiridha. ChaDenny
chaive mudheka akatouya
achitopfugamira Denny
nekumugezesa maoko
zvandaive ndisati ndamboita.
"Uri sei Portia?"
Ndakamudaro ndokudavira
akatarisa pasi achiti, "ndiri
right maiguru." Ndakasekera
mudumbu kunzi maiguru
naPortia.
End of chapter
On Sale
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 30
Nyasha
Mai Denny ndakaona kuti
vaive nepoint nekuti kuri kuti
Portia ashingirira kugara
asingadiwe kuzoona azvara
ari pamba handi raizove
barika automatically and iye
Denny wacho aigona
kupedzisira anzwa tsitsi
akamuda kana kumubika
bika nemushonga
zvikashaya basa nekuti
statement rekuti vakoma
vake vari kuHarare kana
vamutumira ndipo
paachabva raive rembanje.
"Wanya," ndakadaro
ndichisimudza chitin munhu
ngaaridze mhere yakamutsa
vanhu including Denny.
"Kwakanaka here?" Mai Firi
vakabvunza zvikanzi,
"ndadirwa mvura
namaiguru."
Akatondinyepera ipapo
nekuti iye ndiye aive aita
makwikwi neni ekubuda
padoor achindipatikidza
ndakabata chitin so
pandakaregedza chitin
aitarisira kuti ndini
ndichatsva.
End of chapter
On Sale
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 31
Dennis
"Ndakadzidziswa namainini,"
akadaro akadzikamira
ndikati, "taura makuhwa ako
zvakanaka."
"Mai Ishe varasikirwa shame
baba vako vanenge vaive
ma1," akataura achigara
paside pangu ndokumuti, "uri
kuvaviwa nei nemisodzi
yaMai Ishe?"
As if ndondo yavaive
vationesa was not enough
takafonerwa nanabamunini
vaive vaenda kumortuary
kunovatora baba vati vari
kuramba kukwana mucoffin
vakafuta. Luck enough
bamunini vaiita zvekuveza
mucoffin saka vakamhanya
kwaNyika kwavaivezera
kunoita kiya kiya kuti vawane
coffin rakati kurei.
"Mukoma vanogona
vakatsamwa Dennis,"
ndakaseka bamunini
pavakadaro. "Kutsamwira ani
wavo ini ndine zvakawanda
zvekuita pane kunyengerera
kuti munhu apinde mucoffin.
Kumba kwangu kuri kuda
kutoiswa cement kutaura
kuno." Ndakataura
ndakatotsamwawo zvikanzi,
"iwe ukatsamwa
zvinozobuda here Denny?"
Surprisingly pavakaita
minamato yavo
zvakatoshanda
vakatozopinda zvakanaka
tikaenda navo kumba.
Takaenda navo vanhu
vakasvika vachiita body view
ndokutoenda kumakuva
because nekuda kwecovid
zvanga zvisingaite kuti
varare pamba. Kumakuva
kwacho pasi pangachereka?
Paive pakaoma separuve
kutoshaya kuti chii chaitorera
nzvimbo. Chingoti zvaisaita
kuti nditaure kuti kana
zvaramba topisa hedu.
Vakuru vadeketera
vadeketera ndipo
patakazotanga kuchera.
Takabvako kuma6pm
ndokuenda kumba. The
following day vanhu vakabva
vangoita zvekugova zvinhu
zvababa. Vanhu vepamba
vaive vakadzikama hama
dzichitemesana musoro
pamombe dzababa including
vana Mai Ishe vaida kuti
vana Kundai vakwane
mushare. Mai vangu chaivo
vaive vakarelaxer ndikati
ndiko kukuraka uku. Ivo vana
bamunini havana
kunyumwawo kuti sei isu
taisava nehavi nepfuma
yababa.
Zvemaassets zvapera
pakabva pabuda muromo
wekuti mai vagarwe nhaka
ndikakasira kuti, "kugarwa
nhaka yei munhu akura
kudai. Kana mune shungu
dzekugara nhaka garai vana
mainini ava."
End of chapter
On Sale
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 32
Nyasha
Ndaifamba zvishoma
nezvishoma semunhu aizeza
kusvika kumba kunonetsana
naDenny. All along ndaiti
kana takugara pedu tega
nhamo inopera asi
yakatowedzera
tisingachataudzane. Ndaive
ndakunyatsodemba
chandakadzokera kumusha
nekuona kuti zvandaive
ndaudzwa naMai Ishe zvaive
zvechokwadi. Ndakati regai
ndipfuure nekwaMai Denny
ndichitora Tinashe ndokuona
baba vacho variko vakamira
paside pechitara naPortia.
Achingondiona Denny
akabva aoneka asina kutaura
neni iniwo kwakutora mwana
wangu.
"Maswera here maiguru?"
Akandisweresa Portia
ndikasamudavira zvikanzi,
"zvino munosvikepi
musingataure neni nhai Mai
Tinashe. Jairai zviripo kana
kurova pasi nekuti ndofunga
makuzvionera mega kuti
hakuna kwandinoenda and
iye Denny mazuvano ari
kuwandira kuno." Handina
futi kumupindura
ndokubereka Tinashe uyo
akasvibisa uniform yangu.
"Unogezesa mwana
nemvura inotonhora this time
dzirimo here? Iwe chero
kukapisa zvakadii haugeze
nemvura inotonhora asi kuda
kuurayisa mwana wangu
nechando!" Akapinda
mubedroom achidaro nekuda
kuavoider noise ndikaramha
ndakanyarara mwana wacho
akazvidavirira kuti mvura
yaive ichidziya. Mvura iyoyo
ndaive ndaiburitsa panze
ndikaiisa pamushana
makuseni ndichienda kubasa
ndokutodzoka ichidziya.
Ndapedza kupfekedza
Tinashe ndakamupa
mabiscuits nedrink zvandaive
ndatenga ndichida kudya
ndiri kubasa ndikashaya
appetite. Akafara Tinashe
achimhanya kunext kunodya
nekashamwari kake. "Apa uri
kuzama kuita sei?"
Akandidaro Denny mwana
abuda ndokuramba ndiri
pasilent semazuva ese.
Ndakabuda mubedroom
ndikaenda kukitchen
kunovesa moto akanditevera
achiti, "iwe Nyasha usade
kundiita benzi wanzwa?
Pamusoro pekundihurira uri
kutonditsamwira futi!"
Ndakasarudza
kumunyararira futi
ndikaramba ndichibatanidza
huni.
Ndakaona Denny
akusimudza Tinashe achiuya
nekwandiri akasvika achiti,
"nhasi tiri kunorara kuzasi."
Kumba kwamai vake
kwaireva saka ndakati, "no
problem but siya mwana
wangu." Tinashe buruka
ndoda kuenda newe kutown
mangwana," kungodaro
kakaburuka fast fast zvikanzi
naDenny, "thanks
nekundisunungura rega
ndiende ndiri free." Kwaive
kuda kunditokonya saka
ndakati handitokonyeke
ndokubva ndamuti, "newewo
thanks nekundipa freedom
Dr Chafa vanogona kuchiuya
pano vakasununguka."
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 34
Dennis
"Nyasha ndokumbirawo
kutaura newe," ndakadaro
apa ndisina kana
zvekumuudza akati, "my
lawyer will be here any
minute so kana une
zvaunoda kundiudza talk to
my lawyer." Akataura ari
serious hana ikarova
ndanzwa word rekuti lawyer
apa ini ndanga ndisina
kufunga nezvazvo.
"Dennis motoshinga
kumunamatira samai vake
nekuti achafa ari rombe
nekuda kwevakadzi."
Akataura akadzikamira zvake
zvikanzi, "ari sei muzukuru
wangu?"
End of chapter
On Sale
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 33
Nyasha
"Murume wechikwambo
ndiyani Nyasha?" Akabvunza
nehasha Denny ndikati,
"umwe ndiyani pano?
Wakazvitarisa akafitira kuita
murume wechikwambo
ndiyani. Iwewe utori nemhiko
yekusagara nevakadzi and
chero dai pasina mhiko
zvekuchengeta mukadzi zviri
kure newe ndosaka
wakatorerwa mukadzi
nababa apa wakuchinjapa
uyu Portia nemunin'ina wako.
Shame on you Denny,"
ndakataura ndichienda
kumota. Ndakuda kupinda
akandidhonza ruoko Donny
akauya kuzomudhonza
ndokurova pasi.Tinashe
anga aneta nekuchema
kusvika hope dzabata.
"Regai ndinyarare,"
ndakapindura ndichizembera
seat ndokutsvagiridza hope
kusvika dzandibata
ndokuzomutswa tasvika
pamba. Hwanga hwave
husiku saka takangodya
nekurara the following
morning ndakatomukira
kuclinic naDr Chafa. Vanga
vari surgeon paprivate clinic
yavo saka pandakavaudza
mabororo angu vakangoti
kana ndafunga zvakanaka
ndozouya kuHarare plus
ndaive ndakavaziva ndichiri
kuMasvingo
vachingondifarira sestudent
but handina kumbofungira
kuti tichazowirirana kusvika
pakugara under the same
roof tese. Kubasa takaswera
tiri busy ini ndokuzotanga
kuenda kumba nekusuwa
kamunhu kangu kaive kasara
nemusikana webasa.
Munoziva kugara naMai
Denny kwaingoita kuti munhu
afungire vanhu zvakaipa
saka ndaive ndisina
kugadzikana ndiri kubasa.
Ndichienda kumba
ndaitofunga zvekuti aende
kucreche oswera nevezera
rake kuri safe.
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 35
Nyasha
"Ndokwa zvatosvika?"
Akabvunza achiratidza
kushamisika ndikati, "zvii
izvozvo?"
"Wakanyeperei kuti Dr Chafa
chikomba chako?"
Kutondibvunza nehasha as if
ndanga ndichiri munhu wake.
"Handina nguva
yekupindurana newe Dennis
chibuda muno ndifambe."
"Chingopindura
zvandabvunza chete,"
akadaro ndikati, "ndanga
ndisina nguva yacho Dennis
nekuti kana waisatenda kuti
ndakaita miscarriage
waizobvuma chirudzii kuti
handisi kudanana naDr
Chafa above all handisi
kuziva kuti chiri
kukushungurudza chii iwe
wakugara nemukadzi wako."
"ZvaShuvai uri
kuzvikwanidzira papi
manje?" Akabvunza ane
kakushamisika ndikati,
"mucourt ndabuda sha
zvekuramba ndichitongeswa
handide." Denny asati ataure
Grace akabva anoka
pawindow. "Nyasha chii
chauri kuita asi?" Akadaro
ndadzikisa window
ndikafinyamisa face ndichiti,
"chii chandaita?
End of chapter
On Sale
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 36
Dennis
"Tipendewo," ndakabviswa
mundangariro nevoice
rechikadzi raidaro
ndokumuka ndichipukuta
kuface. "Uri kudei pano iwe!"
Ndakadaro ndaona ari Portia.
"Ndiri kuda iwe," akadaro
achiuya pandaive ndikati,
"mira ikoko zvako shamwari."
"Makuterera mashoko
aMamoyo?" Akabvunza
achinzwisa tsitsi ndikati, "iwe
ndatokumaka saka usade
kuwedzera kuzvimakisa
nekutaura zvaMamoyo sara
uchionesana natezvara vako
mouya motora munhu kumba
kwangu otherwise
muchazomutora ari mubox,
sarudzo yave kwamuri."
Ndakatoita kakuvhundutsira
vanhu ndokurova pasi.
Kumba ndakasvika Portia
achisuka ndiro
ndikamuavoider ndokutora
zvekugeza ndikanogeza
ndokubva pamba ndichienda
kumashop. Pandakadzoka
zuva rovira ndaive
ndakabatwa nehwahwa
ndokumbonetsana naye
ndasimudzira nyaya yekuti
abve pamba pangu.
Akapinda mubedroom
akazvivharira ndokubva
ndabuda ndichienda
kwaNyika ndikadzoka pakati
pehusiku. Ndakamuwana
asimo mubedroom ndikaziva
kuti azobvuma defeat
akarova pasi. Ndikatsvaga
makey ekulocker door sezvo
ndaive ndasvika risina
kukiiwa. Ndakashaya makey
aya ndokutanga
kubvanganyura zvinhu
ndokuona mari yandaive
ndakaringa pasi pahembe
isipo. Haina kunyanya
kundirwadza semunhu
aifarira kuti problem yaenda.
Makey ndakazomawana pasi
pebed ndokukiya door
ndikazvivatira. Ndakakasira
kumuka ndichiti ndiende
kuHarare ndokunoona
Nyasha ndokutoenda
kukitchen ndichiti ndinovesa
moto ndokuona mashura
anoshura akandimirira.Portia
anga achiripo pamba pangu
but asingachafeme. Anga
akaitwa kunyudzwa banga
padumbu rake ropa
rakatoomera kuratidza kuti
aive abaiwa kare probably
manheru andaive kwaNyika.
End of chapter
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 37
Dennis
Ndakamubata ndichitya
hoping kuti anogona ari
mupenyu chero ndaiona kuti
afa. "Oh God," ndakadaro
ndichibata musoro wangu.
Ndakatanga kufunga kufarisa
kwandaive ndaita kumba
kwanaPortia hana ikatanga
kurova. Ndakaenda
kubedroom ndichida
kutsvaga phone yangu
ndifonere police ndokuona
isina moto ndikamhanya
kunoichajisa mumota
ndikafonera Chomuti iri
pacharger. Madzimai
aipfuura nepamba achienda
kutsime ndakaona
akudongorera mumba
mukitchen nekuti ropa raive
padoor raingoita kuti munhu
ade kuziva kuti raibva pai.
Sinyoro akazondisvikira
akabata demo ndikaramba
ndakadzikama nekuziva kuti
haana zvaindiita pamberi
pemapurisa. Kuonererwa
kwake kwandituma kuti
ndimuti, "mudhara dai
wakabvuma kutora mwana
wako nhasi unaye kumba."
Interrogation svinu
yakachizotanga
ndichingoramba
ndichingotaura zvimwe chete
iye mupurisa wacho
kuzondinyengerera kuti
ndingotaura kuti ndini
ndakauraya as if vanhu
vaibvuma mhosva dzavo
vairegedzwa. After some
time ndakapihwa mukana
wekuita phone call ndokubva
ndafonera Nyasha, ndaive
ndakutoziva number dzake
nemusoro and ndaiziva kuti
ndiye munhu musvinu
aikwanisa kundibatsira
pavanhu vandaiziva.
"Handidhakwe zvekudaro
ndiri kunyatsoziva kuti
ndakasvika ndikatiwana door
remubedroom risina kukiiwa
and mari yangu yakatobiwa
ndaingofunga kuti ndiye aba
mari," ndakaudza Grace
akati, "pakaipa but
tinobudirira because
aendeswa kupostmortem
kuchaonekwa kuti
zvakafamba sei. And nguva
dzaakafa manga muchiri
kubhawa nekuti kune
mapurisa atoenda kubhawa
kwamaive." Grace
akandisimbisa ndokuzoenda
hake. Zuva richivira
akadzoka futi achiti
maresults epostmortem auya
saka ndiwo aaida kunzwa.
Ndakanamata kuti
pawanikwewo kaevidence
kamwe kanondiprover right.
Grace akadzoka kwandiri ari
down ndikati, "chii mainini?"
"Hauchatondide Nyasha?"
Ndakakaruka ndadaro akati,
"zvakubva nepi izvi?"
End of chapter
On Sale
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 38
Narrated
"Nevarume chaivo,"
vakadaro Mai Firi
vachitambisa rimwe gumbo
Portia akati, "varume vapi
futi? Sei munemi mai imi?"
Portia aive akutoziva nyaya
yake akanyepedzera
kudzungaira nekuti mhosva
haingobvumiwe sesadza
pamwe pacho
ukatozoriramba sadza racho
uchirida chaizvo wototi
wakaguta, what more
mhosva. "Portia ndauya
pano kuti titaurirane
zvakanaka asi ukada kumera
munhenga ndochidzupura
chinhumbu ichi ukazoshaya
support yauri kugarira pano
ahi?" Vakataura
vachizvitutumadza and Portia
aizviziva kuti Mai Firi
vanogarira munhu akapotsa
kusvika kuvadzimu. Chero
vakadzi vese vemuraini
hapana aitwi, "pwe," kana
Mai Firi varipo. Semazuva
ainetsa kubata mvura
mumugodhi wepamba pavo
vaiti vakaenda kuchibhorani
vaisanomira pamutsetse
nevamwe vaitongomirira kuti
bucket riripo rizare voisa ravo
saka Portia ainyatsoziva
hunhu hwavo ndokuona kuti
better kudzikama pane
kuchenama.
"Hazvishamise kana
vanaDonny usitorina
kuvarepa vozongonyara
kutaura sevarume, iwe
haurambirweka?" Mashoko
aMai Firi akagumbura Portia
nekuti kubva asati aenda
kuHarare kuna sisi vake
Donny aingomunetsa achiti
anomuda iye achitoramba
ndokuzodanana underground
adzingwa kuHarare nasisi
vake. VaShumba sekuru
vaDenny pavakaona Denny
asina mukadzi
vakamukwenyera Portia
nekuti Portia wacho anga
asara nemakore mashoma
kuti anzi tsikombi. Sezvo
Denny anga asina mukadzi
nguva iyoyo Portia akaona
kuti better kumboita
zvaDenny nekuti potential
yemarriage yaivepo. Abvuma
Denny akatobudira Donny
pachena Donny kwakuita
seasina basa nazvo asi
zvichimurwadza.
Mukudanana naDenny,
Portia akaona kuti Donny
aive nani nekuti aive nerudo.
Zvishoma nezvishoma
akatanga kudzokerana
naDonny kusvika nhumbu
yabata. Pakabata numbu
yaDonny, Portia aida kutizira
kuna Denny nekuti zvebarika
naMai Firi aizeza asi asati
atizira Nyasha akabva
adzoka zvinhu zvikaenda
mudondo munhu ndokutizira
nguva isiyo.
End of chapter
On Sale
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900
Chapter 39
Narrated
Hapana akakwanisa
kubvuma kuti Mai Firi
vairevesa pavaiti mistake.
Mhosva yavaive vaita
kunyarara pavakaona zvinhu
zvashata pamwe dai Portia
akaendeswa kuchipatara
nekukasika aigona kurarama.
Sezvo Mai Firi vanga
vaconfessa Denny akabva
aburitswa mumacell.
"Wabva wadzikira kubva
nenguva shoma iyoyi
yawagara mucell," akadaro
Nyasha vachibva pakamba
Denny akati, "ndiwe uri
kundionza." Nekuziva
kwaizogumira nyaya yacho
Nyasha akabva ati, "oh it's
okay ini ndakuenda."
"Wakutoenda?" Akataura
achiratidza kukanuka Denny
zvikanzi naNyasha, "ehe
ndanga ndagara ndichienda
what's wrong?"
"Chamunondivengera chii
mhai?" Akabvunza Denny
akatarisa mai vake kumeso
vakati, "ndakuvenga ndadii
nhai Dennis?"
Akatombonyarara
akatsikitsira musoro Denny
ndokuzoti, "maiziva kuti
Mamoyo ane mwana wangu
kuMasvingo mukasandiudza
ndikangofunga kuti kuvenga
kwenyu Mamoyo, secondly
mukanyarara pandaiti
Mamoyo ari kudanana naDr
Chafa muchiziva henyu kuti
ihanzvadzi yake handina
kunetsana nemi asi apa
makarega kundiudzawo kuti
ndizvo zviripo."
"Chingogara panoka,"
akapindura asina kunzwisisa
zvairehwa, Grace akaridza
tsamwa achida kubuda
mukitchen asi hana yakarova
aona Mai Tara panze.
Written By Rue M
0788357900
Chapter 40
Final Chapter
Nyasha
"Ndanga ndakakumirira,"
akapindura achisimuka
ndikati, "fine hande kumota
unotaura nyaya yako."
Takenda takanyarara
tichingopinda akati, "Nyasha
ndauya kuzokutora."
"Pano pachipatara?"
Ndakabvunza akati, "no
ndakasvika muno nezuro
manheru ndikazongorara
kulodge kwaunogara
handikuzive so ndananga
pano pachipatara."
"Chindipawo address
yekumba kwacho," akadaro
achinditambidza phone
ndokubva ndamunyorera
tikabuda mumota ndikapinda
mukati kuonoona Dr Chafa
kuoffice kwavo ndikasvika
vana Ruramai.
"Mukomaka," ndakadaro
ndichitora lunchbox zvikanzi,
"ndiri kuudza Ruramai kuti ari
kupretender kuita munhu
kwaye asi kana zvamubata
chero clinic anoipaza
nehasha."
"Ndatya kukukanganisa
basa," akadaro achipinda
mumota ndokubva
ndaimutsa ndichiti,
"yakambowanda zvekudii
mari yacho yaita kuti utye
Harare?"
*THE END*
#PDF CREATED BY
LORITY ARTS#