You are on page 1of 1282

MAMOYO

Written By Rue M
0788357900

Chapter 1

Pandakaona baba vouya


nedemo ndakangosimuka
ndikabuda mumba
ndakarova bara. "Mubatei
Munya!" Vakadaidzira Munya
nemawara akanditsoma
kukanganwa kuti kumhanya
kwaive kudya kwangu
zvekuti paSimbarevanhu
High School vaitotemba neni
kumasports what more apa
pandaitiza nehupenyu
hwangu. Ndakamhanya
nebani kusvika
ndisingachaone munhu
ainditiverera asi ndakaramba
ndichimhanya nekutya kuti
anogona kundinyangira
sezvo kwanga kwasviba.
Ndakatozotanga kutura
mafemo ndadarika pamba
pasabhuku ndakuona pamba
pandaienda. Ndakasvika
ndichiita zvekunyangira
pamba panaDenny ndichiti
nditange ndapfukuta shena
yaive mumakumbo nekuti
changa chatobvondoka asi
kuti ndizosvikira vanhu
neshana yaisvika mudumbu
zvaisaita. Ndisati ndapukuta
shena yacho nejuzi randaive
ndakurura imbwa dzaDenny
dzikati, "unonyepa Nyasha."
Dzakahura sedzisingandizive
zvekuti ndakashaya kuti
mawara eyi adzaiita isu
tichizivana.

"Nhai vakomana budai


mutarise kuti ndiyani ari
kuhukurwa nembwa!"
Vakadaro Mai Denny ini
ndakutosvika kukitchen
kwavo kwaive kwakavhara
door zvekuti door
parakangovhurwa ndakaita
sendichaenda kumusana
kwaFungai munin'ina
waDenny.

"Hezvo ko ndiwe?" Vakadaro


Mai Denny vachisimuka
sevaona chigure ndikati,
"ehe ndini." Ndaive
ndozvigadzirisa gadzirisa kuti
ndiratidzikewo but it was too
late. "Kwakanaka?"
Akabvunza Fungai ndokubva
ndaenda kuseri kwedoor
kwakuchigara ndakapfumba
rusero, Mai Denny
ngavarove chikwee
chakatanga kuhukurisa
imbwa futi.

"Watumwei Nyasha,"
vakazobvunza vamira
kuseka ndikati, "handina
kumbotumwa ini." Ndaive
ndakutaura ndakatarisa pasi
nenyadzi zvikanzi nababa
vaDenny, "zvino mavingei
nhai VaMamoyo?"

"Ndauya kuzogara pano,"


kuzongodaro chete
ndakafadza vanhu vese
vaive mumba nekuseka
kusara kwavamwene vangu
vakati, "ko kumba kwenyu
hakuchina nzvimbo yako?"

"Iriko asi ndadzingwa,"


ndakanyepa ipapo but
kutorerwa demo kwanga
kwakangofanana
nekudzingwaka. "Wadzingwa
ukanzi enda kwaMai Denny
ndiko kunochengetwa
mastreet kids?"

"Taura zvakanaka Mai


Denny?" Vakadaro baba
vacho zvikanzi, "kutaura
zvakanaka kwei ngakataure
zvakavinga pano."

"Ndine nhumbu yaDenny,"


ndakakaruka ndati dyo
zvikanzi navamwene, "baba
vangu Shumba iwe huyai
mundinzwire mashura ari
pano. Wati une nhumbu
yani?" Vaitaura vakabata
musoro ndikatoshaya kuti
zvadii.

"Denny akataura wani kuti


anodanana naNyasha izvi
zvamakubvunza hazvina
basa," akadaro Fungai
akarohwa nechikuni chemoto
akabuda mukitchen
achibhon'a. Fungai
ndaidzidza naye and hapana
chaisaziva pakati pangu
naDenny sezvo anga ariye
postman wedu.

"Zera rako unondiudza kuti


want watoziva varume
zvekusvika pakuitira nhumbu
murume wemunhu?"
Handina kukwanisa
kupindura mubvunzo wavo
ndokungotsikitsira ndinyerere
semunhu aida kugamuchirwa
pamba. "Haunzwe here iwe!"
Vakadaro nehasha ndikaita
kakuvhunduka ndichiti,
"ndinonzwa matii?"

"Zvemabook wanga
watopedza kusvika pakuda
kuzvarira baba Ishe murume
wemunhu?"
Ndakadzungudza musoro asi
nechemumoyo ndichiti,
"Denny haasi murume
wemunhu handi atove
negore arambana naMai Ishe
here plus pandakatanga
kudanana naDenny
ndaisaziva kuti anga
achangorambana nemukadzi
wake." Ndaive ndabva
kuMhondoro pakashaika mai
vangu semunhu anga asisina
wekugara naye ndipo
pandakatorwa nababa
ndokuuyiwiswa kuBikita
kwaive nemhuri yavo.
Mazuva ekutanga zvaitove
zvakaoma nekuti hapana
aive akwanisa
kundigamuchira nekuti haisi
nyore kuti vanhu vozongoona
mwana ane 16 years
voudzwa kuti ndeumwe
mwana wangu. Mukadzi
wababa akambotanga
achibata rough nekundiitira
mamood asi zvakakasira
kupera baba vati
ngavagamuchire zviripo
nekuti handina
kwandaizoenda. Mazuva
iwayo ndiwo andakatanga
kuona Denny akabva ave
first boyfriend apa semunhu
anga asina mashamwari
hapana akandiudza kuti
munhu ane mwedzi adzinga
mukadzi.
Ndakatozoshamisika umwe
musi ndagarirwa nevakadzi
four ndichibva kuchikoro
ndikarohwa big size zvichinzi
ndini ndakarambisa mukadzi
waDenny.

Ndakaenda kumba
ndisingagone kufamba luck
enough baba mazuva acho
vanga vasipo saka nyaya
haina kuita nyaya. Ndaive
ndisingachade nezvaDenny
asi mama vandaive ndogara
navo ndivo vakandisimbisa
kuti ndisamurambe.
Ndakatozoziva main reason
yacho ndadzokerana
naDenny kuti mama vanga
vane grudge nemukadzi
waDenny sezvo
akambovarovera nyama
kuzunde saka daka racho
harina kupera. Denny
akatozoendesa gupuro
kumba kwaMai Ishe chero
asina kumbobvira ataura
chikonzero chisvinu chaive
arambira mukadzi. NaDenny
taingodanana muchivande
zvichizivikanwa nevashoma
kusvika ndabata nhumbu.
Mama vakava vekutanga
kuzviziva ndisati ndatoziva ini
muridzi wayo. Kutoti,
"Nyasha wave nenhumbu
iwe ini ndikati kana
ndakarara naDenny ka1 and
futi last month." Chaitove
chokwadi ndaive ndarara
naye mwedzi waive wapfuura
ndikarwadziwa nekubvisa
humhandara ndikapfira
chikomba pasi ndikati
handizvipamhe asi kuti
nhumbu yainge yabata ipapo
ndakaramba kusvika mama
vaita zvepregnant test
ndokuona zvesure nhumbu
iripo. Tisati tarasa
chipregnant test chiya ndipo
pachakaonekwa nababa
vakati vavava kusvika
ndabvuma kuti ndine
nhumbu ndipo
pavakazonditorera demo
ipapo.
"Hezvo wakuda kutobatwa
nehope uri ipapo?" Vakadaro
Mai Denny
vachindizungunutsa ndikati,
"matii?"

"Usade kundiidza benzi iwe


unoti nezvauri Denny
angadanana newe?"
Handina kuvapindura nekuti
ndaive ndakutonetseka
mupfungwa kuti
nemapengero aiita Mai
Denny ko Denny akaramba
nhumbu yacho ndaitangira
pai chaizvo. Iye Denny anga
aenda kwaNyika kwaanga
ane contract yekuvaka saka
aitozodzoka neweekend
apedza basa.

"Mama Denny ndiye muridzi


wenhumbu chero
mukamubvunza
anozvibvuma," ndakadaro
zvinyoro nyoro zvikanzi,
"handisi mai vako unondiona
sechipoko ini?" Zvaipindurika
here izvozvo. Baba vaDenny
semurume ndivo vakati,
"ngatinozororai veduwe idzi
nyaya dzaDenny
dzinozotaurwa auya."
Vakataura vachisimuka
zvikanzi naMai Denny,
"wazvinzwaka tichataura
Denny auya saka chienda
kumba kwenyu unorara kana
Denny azouya tichatuma
munhu okudana,
usakanganwe kuverenga
wazvinzwa?"

Vaive nezvipo vakaseka


havo ini rambei ndiri zii
ndakagara kuseri kwedoor
zvikanzi, "chisimukazve
chisikana uende kumba.
Vasikana muperekedzei
kwasviba uku anozotadza
kusvika tikapihwa mhosva
pano." Vasikana vairehwa
ndevamwe varoora vavo
vaviri vanga vakaroorwa
nematwin aMai Denny aivera
Denny pakuzvarwa.

"Achiendepiko iwe!"
Vakadaro netuhasha baba
Denny vakapihwa ziso
randisina kunzwisisa but he
didn't care. "Mai Firi endai
munomuratidza room
yaDenny azorore mwana
uyu," vakadaro vatezvara
ndokubva ndasimuka
zvikanzi navamwene vangu,
"uhu kana kusanyara?"
Kwaibvirwa ini.
Ndakanoratidzwa kuroom
kwaDenny chero ndaikuziva
ndokubva ndazvizororera.

The following morning


ndakamukirana
nemachongwe ndikatsvaira
chivanze semuroora mutsva
asi Mai Denny vakamuka
vachitangidza chero munhu
wese ainyatsoona kuti
ndatsvaira zvakanaka.
"Ndokutsvaira
kwawakadzidziswa naMai
Mako kwekupedza ivhu
rangu pachivanze kudai?"
Vainyatsotaura zvedrawer
attention zviya
kuti,"ndinzweiwo nhai
vanhu."

Kuchivira ndakaenda
kugarden kwavaive
vandituma ndiye dhumha
dhumha naMai Ishe
nevamwe vavo vachibva
kunowacha.
Takangopfuudzana
ndikazonzwa vakuti, "regai
zvenyu muone kanoti
kanopagara pamba paya
naMai vaDenny ini chaiye
ndakapatadza. Mwedzi
chaiwo wakawandisa aripo
paya."

"Mai Ishe naMamoyo vanhu


two vakasiyana ini ndiri
kuzopagara manje pamba
paya," ndakataura ndega
zvangu ndichipinda
mugarden ndokutemha
muriwo fast ndokudzokera
kumba ndikatodarika
vanaMai Ishe muroad. Gotsi
rangu raiita kurema
nekunzwa kuti ndaitaurwa
big time kumasure.

Ndichisvika kumba ndakafara


kuona kaopen truck kaden
pamba ndikaziva kuti adzoka
asi mufaro iwoyo hauna
kwawakasvika ndanzwa Mai
Denny vachichema
mukitchen vakapfugama
pamberi pake. "Zvirinani
kunokumbira rugerero totora
Mai Ishe Denny pane
kuroora pwere inonhuwa weti
iyi Denny. Munhu ane 17
years unomudii Denny unoti
chero Isheanesu anogona
kumuchengeta iyeyu.
Chokwadi Denny
ukangobvuma nhumbu iyoyo
ndiri kuzvisungirira
rakacheka nyika kudai."
Kana ndimiwo kwaive kuita
here ikoko? Pandakapinda
mumba vakawedzera
kuchema Denny ndokubva
atanga nekunditi, "ndiri
kunzwa kuti une nhumbu
ndeyani?"

Semunhu anga agara


anyimwa chikafu kubva
makuseni ndakapera simba
worse nemubvunzo
waDenny ndokuzongoti,
"Denny ndine nhumbu yako."

"Chirudzii nhai Nyasha?"


Moyo wakatsemuka kuita
mapiece ndanzwa izvozvo.
"Kwazvo handiti takarara
tese paya Denny?"

"Inini Dennis Mangu kurara


newe Nyasha Moyo?"
Mubvunzo wake wakaita kuti
ndidonhe pasi
ndokutombodzima ndiripo.

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/C
C55KUCvYwE7vTkkLHckaT

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900
Chapter 2

Nyasha

Ndakatanga kuvhura maziso


zvishoma nezvishoma
ndichida kuona kuti
ndamukira pamba paMai
Denny kana kudenga kana
pari paMai Denny
ndomboramba ndakafenda
zvangu asi Denny ziso rake
raive pandiri zvekuti ndisati
ndanyatsoona kuti ndiripi
akabva ati, "thank God
amuka." Ndaive ndakanyora
hembe dzese zvekuti
ndakangoziva ndega kuti
ndinenge ndadirwa bucket
remvura namai vemunhu.
"Wambodya here Nyasha?"
Akabvunza Denny auya
kuzochonjomara paside
pangu kunge rudo iniwo
ndisati ndapindura zvikanzi,
"achidya kupi kuramba tea
makuseni achiti haade tea
ine malemon bva kana iri
nhumbu gore rino
tichaoneswa,"
vakandinyepera Mai Denny.
Pavagadzirwa breakfast
naMai Firi vakamhanya ivo
kupakura kwakuchinditi,
"ndiro pano dzishoma
Mamoyo wotomhanya kumba
kwenyu wototora idzi
dzauonoona apa ndedze
display."

"Ko handiti mukaka wacho


uripo here madii mamupa?"
Akabvunza mai vake ari
serious ndikashaya kuti
achinja maside rini. "Huye
don't newe Denny
ungatotsigirwa kujaidzwa
kusina basa? Panoka zvese
zvinoshandirwa hapana mai
vake vaiivigirwa mari
nezvikomba vakagara
votanga kupfachura
vachimuitira chese
chaanoda. Food for work
pano pamba,"
nechavaipinzira mai vangu
panyaya iyi ndakachishaya.

"Mama zvinozoita here kuti


vanhu vanzwe kuti muroora
wepaMangu akafenda
nenzara?" Akavhunza Denny
akuisa kapoto pamoto
zvikanzi, "kana ari uyu
ngaafende zvake. Ndiyani
asingazive hunhu hwake
muno muraini? Izvozvi Mai
Moyo vazorora kutaura kuno
kuti zvavabva isu tonzi
tigashire mutoro uyu
pamusoro pazvo nhumbu isiri
yako? Ngaaende zvake
kuorphanage kana ashaisisa
kwekuenda kana
kuMhondoro kuhama dzamai
vake." Vaitaura zvavo Mai
Denny.

"Nhai Nyati regai ini ndibike,


garai pabench baba," apa
vaitaura vachiuchira Denny
uyo anga akukurungira
kasadza. Akagara pabench
vakabika vachingopopota.
Vapedza kubika sadza
vakamukangira mazai.

"Hi rakawandisa mama


Nyasha haangamboripedze
rese iri!" Akadaro Denny
vave kupakura mai vacho
vakakanuka vakati, "wati
chii?"

"Ndati mungabva mapakurira


Nyasha sadza rabhiridha
kudaro?" Vanga vapakura
sadza rabhiridha nekufunga
kuti Nyati yavo ndiyo yaida
kudya. "Hino ndabikira
Nyasha sadza?" Vakaratidza
kubatikana zvikanzi naDenny
handiti, "afenda nenzara?"
"Nzara ipi newewo dzanga
dziri nyadzi dzekuti waramba
nhumbu yake. Hino
zvinozoda here kuti mai
mwana wemusango mwana
oita mwana wemusango?
Nyasha sei usingasvode
iwe?" Handina kudavira
zvikanzi naDenny,
"chimbomupai sadza mhai."
"Rega ndidane vana Firi
vabve vangodya vese handiti
vese vana here?" Vakadana
vana Firi vakauya vari team
chaiyo. Vaive nevazukuru
four kuti Ishe anga ane four
years koti Firi anga ari mudiki
kuna Ishe nemwedzi
mishoma achiteverwa
naAnna mwana wemumvana
wavo aive kuHarare
kopedzisira Tara anga
achangobva pamukaka aive
netwo years. Vese vari four
vakangogeza maoko
muchigaba chepamoto one
time kuri kufarira sadza
maoko akauya achiyerera
mamhororodzi uku Tara
achipukuta madzihwa
nekuseri kweruoko
rwaizodya sadza.

"Ishe tora ndiro iyi munogara


pane umwe wenyu mudye
sadza," vakadaro Mai Denny
zvikanzi naIshe, "pana
mama?" Aive akutondiziva
nekuti kubva pandakazoziva
chokwadi chaDenny akabva
aintroducer Ishe kwandiri and
kazhinji pataienda kwaNyika
kunofara taienda naye.

"Ija mama," akadaro Ishe


aona ndirini ndega
ndaisadya. Moyo wangu
wanga watosviba nehuchapa
hwandaiona ndonzi ndidye
musame plate nepwere
idzodzo. "Ndaguta Ishe,"
ndakadaro ndichisimuka
zvikanzi naMai Denny, "hoyo
munhu wako?" Aireva kuna
Denny uyo akanditarisa
tikasanganidza maziso
ndokutsikitsira. Handina
kuzoda kuzviisa mumusoro
ndokubuda mumba
ndichimhanya panze
kunorutsa. Apa ndaingorutsa
mvura sezvo dumbu ranga
risina chinhu.

Denny akauya pandaive


ndakakotama akandibata
musana ndikangonzwa
zvichinditi yeredza misodzi
ndokutotanga kuchema
ndichiti, "Denny kutaura
chokwadi chokwadi nhumbu
ndeyako. Ndakazviziva
nezuro ndikati ndozokuudza
weekend wadzoka but baba
vakakasira kuzviziva
vakatanga kuita hasha
vachipopota vachibvunza kuti
nhumbu ndeyani
ndichiramba ndakanyarara
kusvika vazonotora demo
ndipo pandakatiza ndikauya
kuno."
"Wakauya nehembe?" I didn't
expect him to say that but
ndakangodzungudza musoro
akatanga kufutsira pandaive
ndarutsira ndokuti, "hande
kubedroom." Takaenda
ndakangonyarara akasvika
achiti, "apa ndatosiira basa
pakati ndatonerwa namhai
zvichinzi ndiuye kumba
hakuna kumira mushe.
Wakatadza kuenda kana
kwaVaMuga wakamirira kuti
weekend ikwane here nhai
Nyasha."

"Ndakatadza," ndakapindura
zvinyoro nyoro zvikanzi,
"wakatadza kana kuti hauna
kuzvifunga?" Aive
akutondishungurudza
nemibvunzo yake.
KwaVaMuga kwaive kumba
kwatete vake hanzvadzi
yababa vake. Of course
ndaive ndisina kuzvifunga
but chero dai ndakazvifunga
ndaisaendako nekuti vatete
vake vaitove worse pana
vamwene vangu.

"Izvezvi basa rangu rakamira


nekuda kwako," akadaro
Denny ndikati, "saka ndiende
kwaNyika kunovaka here?"
Denny ndaitomupindura
anga asiyana namai vake
vandaitya nekunyara.
"Muromo wako uyuka,"
akadaro achigara paside
pangu ndikati, "saka une
chokwadi kuti hauna
kumborara neni? Denny musi
uya wataenda kulodge
kuchinaya paya
watokanganwa?"
"Nyasha inzwa..." Akataura
achindibata maoko ese but
asati apedza statement rake
mai vake vakangopinda
pasina kana knock. Vatete
vako vauya Denny vaudze
nyaya vadzokere nemunhu
uyu nekuti kana usina kurara
naye anogarirei pano?" Zviya
zvekuterera nzara unenge
uchakagarika ini ndaive
ndongofunga kuti
ndichadzoserwa kumba
ndodii. Ndozongoita mvana
yemuraini? Ko ivo baba
vangu VaMoyo vainyarira pai
nekuti vanga vasingagone
neni. Pandakafunga nezvavo
ndakashaya kuti kuchikoro
vaizvifambisa sei nekuti
vaitove teacher, zvonzi
mwana wateacher atizira.

Ndakadanwa naIshe achiti


ndaidiwa kukitchen kwaive
nedare uko Denny kwaiudza
hama dzake zvekunyepa kuti
takarara tese last week that
too tikashandisa protection.
Wakamborambirwa
zvakaitika nemunhu kusvika
palevel rekufunga kuti maybe
zvakaitika hazvina kuita
ndairota? Ndizvo
zvandakaitwa naDenny,
ndakatanga kufunga kana
ndine umwe munhu
wandakanorara naye
kulodge asiri Denny.
Kurohwa neconfusion
kusvika pakubvuma zvinhu
zvisina kuitika. Denny anga
asingachade kutarisana neni
apo mai vake pavaiti vatete
vachienda neni ndikatoona
kuti haikona, Mai Ishe
vairevesa kuti mwedzi
handiupedze paMangu ini
paya ndaive ndaita nharo
ndichiti ndopagara semunhu
aivimba naDenny asi kana
Denny wacho anga
asisandide ndaiti ndiri
kugarira ani wangu.

"Mukuenda kupi mama?"


Akabvunza Ishe zvikanzi
navatete, "haikona kupindira
nyaya dzevakuru iwe enda
unogeza uko!" Kakabva
pataive kachichema Ishe.
"Chiendai munotora mabag
enyu mainini," vakadaro Mai
Muga zvikanzi naMai Denny,
"mabag api nemiwo tete
akauya ari zvaari ipapa."

"Aikazve nhai baba vangu


Nyati saka hande," vakadaro
asi tisati tabva pamba
ndakaona baba vosvika
pamba nemapurisa four, two
varume netwo vakadzi.
"Kutizira kunosungisa
nekuita nhumbu
kunosungisa?"
Ndakazvibvunza nekuti
ndidzo mhosva dzega
dzandaive ndapara.

"Tingaonawo Dennis
Mhangu?" Asked the lady
officer mai vacho vakakasira
kudavira vachiti, "aita sei?"
"Tanga tichikumbirawo
kumuona," another lady
officer said zvikanzi natete,
"hamukwanise kana
kutikwazisa sure?"

"Mati mwana wangu aita


sei?" Mai Denny vakaisa
wavo mubvunzo zvikanzi
neumwe mupurisa
wechirume, "uyu murora
wenyu ane makore mangani
zviya?"

"Umm akakwanisa 17
mwedzi wapera museri
sandizvo here VaMoyo?"
Vakataura vachingoringa
ringa Mai Denny kutoshaya
nechavaitsvaga. "Ko Denny
ane makore mangani?"
Vakabvunza vamwe officer
zvikanzi, "une 28 years."
"Imhosva iyoyo kuti nekukura
kwake aite underage
mukadzi," akadaro mupurisa
uya wekutanga kutaura
zvikanzi naMai Denny,
"ndozviziva vakuru Denny
ndatomuudza saka apa
tanga tave kutonodzosera
mukadzi wake kwaMoyo."
Vachipedza kudaro
muparazvongo akabva
abuda mumba zvikanzi
nababa, "uyo Denny wacho!
Rionei zirume ziguru
kusanyara kutsimbirira pwere
yakadai."

"Naiyo pwere yenyu hainyare


kutsimbirirwa nezirume
rakadai? Manje muchengeta
kazukuru kenyu mega,"
ndiMai Denny ava.
"Hanya nani? Ndochengeta
handi ndichiri kusevenza
here asi imi muchadya
zvidhinha izvo foromani
wenyu ave kujere," vaive
vochinjana mashoko vababa
apa ainzi foromani ndiDenny.
"Achiendera kujere kanzenza
aka?" Vakadaro
vachindidhokonya pahuma
Moyo akati aita hasha kuda
kutorova Mai Denny
ndokuzobatwa nemapurisa.
Mapurisa akadzimura bopoto
revaviri akutora Denny.

End of chapter

Mamoyo
Written By Rue M
0788357900

Chapter 3

Dennis
Zvekuti Nyasha anga ari
mudiki kana kuti mwana
wechikoro ndanga ndisina
basa nazvo semunhu aive
anonokerwa nekumukanda
pakitchen. Musi waatizira
ndakatofonerwa naFungai
kuti chaputika kumba but
muchembere vari kuvava
saka the following day
pavakazofona vachiti kumba
hakuna kumira mushe ndiuye
ndakatodzoka kumba
ndichiziva nyaya yacho but
pandakaona Rabbi (baba
vaNyasha) achienda
papolice station
ndakanyumwa nyaya yacho
ndokutonera shamwari
yangu yaive mupurisa ipapo
kuti indinzwirewo kuti Rabbi
aitsvagei ipapo. "Pakaipa
wangu, ko unotizisa mwana
waRabbi chirudzii uchiziva
kuti iunderage? Izvezvi ari
kupenga big time zvekuti
ukapusa inopedzisira yonzi
rape." Ndakatura mafemo
ekupererwa though it was
what I expected.

"So ndoita sei bhururu?"


Ndakamubvunza nekuti
ndiye aigona kundibatsira
semunhu aiziva mutemo.
"Ramba mwana," akadaro
pasina kudedera ndikati,
"dzirimo?'

"Ndiri kutokutaurika,"
akataura achiuya kumota
kwangu ndokubva ndakata
phone kuti tingotaura in
person. "Unorwara here
Chomuti?" Ndakabvunza
apinda mumota zvikanzi,
"ndoziva kuti mwana
unomuda huye handisi kuti
murambe zvachose but
kwenguva pfupi pfupi
unoziva kuti Rabbi ane
maconnection hobho saka
ukada kuzviidza wakangwara
unofira mujere iwe."

"Ndikamuramba zvobatsirei
manje? Ijere shoma kuzoona
kaNyasha kachitambura
nenhumbu yangu here?"
Ndakabvunza ndatove
nowhere zvikanzi, "iwe
chimboterera ini bhururu
wako. Izvezvi uchienda
kumba ukabvunzwa kuti
wakarara naNyasha ramba
nekuti ukangobvuma chete
jere rakakumirira chikomana.
Iwe ukaramba kuti wakarara
naye nyaya inonetsa ini
kunowo ndoita kuti
zvidhakwe nyaya yotanga
kutongwa kwasabhuku.
Kwasabhuku iwe wobvuma
zvako mwana woti waitya
jere. Obvious masabhuku
haadi nyaya dzinoendeswa
kumatare edzimhosva kuti
vagonzi vakundikana. Iwewo
kuti unyaradze Rabbi,
wototsvaga mari yekuroora,
huh zvagara mombe
unadzoka. Wotongovhara
Rabbi zvinhu zvotonaka
paya. Iwe usaware mapurisa
ari pano anokuziva Denny."

Ndakaenda kumba
ndokunoita sezvandaive
ndaudzwa naChomuti asi
ndakapotsa padiki kudzoka
kumasure pakafenda Nyasha
nenzara worse ndakunzwa
kuti haana kudya kubva
makuseni. Ndaiziva kuti
Nyasha aive very selective
ende zvanga zvazosangana
navamwene vake
vaisamufarira saka aitofira
izvozvo. Nekufamba
kwenguva zvaizopera hazvo
zvekumuvenga zvamai
vangu nekuti ndizvo zvavaiita
pavakadzi vaDione naDonny.
After all zvanga zvatojairika
kana kuti yanga yatove
system yakapinda vanhu kuti
vamwene nemurora
vanofanira kusawirirana for
no reason.

Sekutaura kwaChomuti
ndakaona mapurisa osvika
pamba ari four ndikatoziva
kuti ndini ndavingwa. Ndisati
ndaenda panze phone yangu
yakapinda call from new
number ndokubva ndadavira
ndinzwe, "nhai baba Ishe
unodirei kundisekesa
nevanhu muraini nekutora
kamwana kaduku kudaro
kuita mukadzi? Hausvode
here nhai Dennis?"
Ndakanzwa riri voice raMai
Ishe ndikati, "chero
ukasekwa zvinei neni?"

"Ko wakadii hako kundiudza


kuti unoda mukadzi?
Ndingadai ndakakutsvagira
ari nani pana Nyasha,"
akadaro achiseka and i could
hear voices of people
laughing ndikaziva kuti
kwaive kuda kuonererwa
nevanhu vaive navo ndokuti
regai ndimubvise manyemwe
edhongi iwayo, "you know
what? Pwere iyoyo itori far
much better panewe Mai
Ishe."
"Nani pachii?" Akabvunza
ndikati, "pazvese especially
mubedroom waiita kunge
munhu aitandadza iwe."
Yakakatwa phone ndikaseka
ndega ndokuzotarisa panze
paive pakupopotedzana
vanhu ndikademba
chandaive ndotaurisira naMai
Ishe nekuti mama vanga
vatoisa tsoro yese mudondo
nekubvuma kuti ndakarara
naNyasha worse kuzoti
vakambondiudza kuti Nyasha
mwana mudiki kwandiri,
kutozowedzera mhosva
nekuti vanoda
kunomudzosera kumba
kwavo. Ndakaseka nhamo
serugare ndichibuda panze.

Mapurisa akaenda neni


ndikacheuka ndokuona
Rabbi abata mwana wake
ruoko achiti, "hande kumba."
Ndakaona zviri better kuti
amboenda hake kumba
kwavo sezvo ini ndaive
ndakuenda kukamba nekuti
aisapagara paMhangu namai
vangu ndisipo zvakunzi ndiye
andiendesa kujere.

"Mwana wangu Denny kani!"


Ndakavhundutswa nemhere
yamama tikacheuka tese
nemapurisa tichida kuona
kuti chii. "Chokwadi
ndozviuraya mukasunga
mwana wangu!" Vaidaro
vachiumburuka vari pasi. Ini
ndaive ndovaziva saka
hazvina kunyanya
kundishamisa. "Tendai dai
wasara pamba just in case
Mai Mhangu vakada kuita
something," akadaro
Chomuti aona mastaira amai
vangu.

"Petrol iripi ndizvidire izvezvi!


Denny wangu akaenda
kujere ndosara naniko?"
Vakataura vakusimuka
vakananga kukitchen
vakanotora paraffin
vakazvidhudhudzira ndipo
pavakazomhanya Tendai
umwe wemapurisa kwavari.
"Zviri nani ndife hangu, Ishe
muzukuru ndivigire machisa
kani baba vako voenda avo!"
Vakadaro vachingochema
vanhu vakati vokoromoka
vachiuya kuzoona chatora
nzvimbo.

"Vakomana handei?"
Ndakazodaro kunana
Chomuti avo vaive
vakutonakirwa nekuona Mai
Denny vachiita zviratidzo.
Kaisava kekutanga vachiti
vanozviuraya. Vaiti
vakanetsana namudhara
votora zvigaba zvemapiritsi
eBP avo votanga kuti, "zviri
nani ndimwe ndife hangu
pane kushungurudzwa
pano." Umwe musi pavaive
vapedzesera kuzviita vaive
vanyimwa mari nemukadzi
waDonny. Donny aishandira
kuMasvingo saka akatumira
mukadzi wake mari ivo Mai
Firi kwakutadza kupa mama
kana cent zvikanzi, "unoda
kudya mari yemwana wangu
wandakaendesa kuchikoro
ndega iwe uchitamba
mahumbwe wozongouya
pano kuzodya?" Mai Firi
vacho vakati vaive nenharo
kwakuti, "makaita basa
nekumuendesa kuchikoro
mwana wenyu iyeye murume
wangu imi idyai yemurume
wenyu handi munaye?"
Vangu Mai vakati
wakajaidzwa kwakuzvivharira
mumba yekubikira kwakuti,
"ukasandipa mari yemwana
wangu ndiri kuzvipisira muno
ugozoudza vanhu kuti
ndakafa nei?" Tese
takafunga kuti kutamba
kwakuona chiutsi
chakupwititika mudenga
ndokuzonomhanya kuvhura
door, door racho
ringavhurika. Vakati voridza
mhere Mai Denny hanzi,
"mukadzi waDonny
wondiurauya kani vanhu
woye!" Ndakazopanya door
kwakuona munhu atsva
musana wese nemaoko
kwakutozomhanya navo
kuchipatara mari yenoise
ikashanda kuvarapa asi vari
kuchipatara vakanditi,
"Denny mwanangu ukaona
ndoda kuzviuraya tora
shamhu undirove
handizvipamhe futi."

Ipapo ndakati shasha


yadzidza asi kuuya
kwaNyasha kwakaita kuti
madrama atange. Papolice
station ndakatosvika
ndikagamuchirwa nemufaro,
hapana mupurisa aisandiziva
nekuti mwedzi waive
wapfuura ndaive
ndamboshandapo kwenguva
refu when I was renovating
the police station with my
team.

"Ko nhai Chomuti


ndichatanga
kubvunzurudzwa nguvai?"
Ndakamubvunza ndaona
ndangogariswa pabench
pasina kana ari kuuya
kuzobvunza nyaya dzangu.
"Don't worry bhururu munhu
wandasiya kumba kwenyu
ndiye ane dzungu rese
ndosaka ndatoti asare aya
maface ako ari pano hapana
zvaunoitwa."

Ndaizotyei pakadaro
ndakatozembera madziro
ndokutora phone yangu
ndikatanga kuona maphoto
aNyasha ndokuzobva
ndareceiver call from Donny.

"Mukoma ndanzwa kuti mai


vashaya zvafamba sei?"
Akananga panyaya yake
straight ndikati, "vashaya?"
Ndakakanuka ndokusimuka
zvikanzi, "hongu
ndatofonerwa naMai Firi
hanzi mai vazvipisa
neparaffin imi matizisa kudii
wee. Atosender maphoto
acho regai muone haasi
kutarisika ndanga ndichitoti
muri kuzviziva ini."
Ndakashaya kana comment
ndabva paphone maphoto
ndokupinda pawhatsApp
ndikashaya simba
rekumavhura ndokungoti,
"Tendai atadza kubatawo
mai vangu here vakomana
imi!"

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/C
C55KUCvYwE7vTkkLHckaT

https://chat.whatsapp.com/C
C55KUCvYwE7vTkkLHckaT
Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 4
Dennis

Chomuti nevamwe vake


ndivo vairatidzana maphoto
ini ndangotsikitsira pasi.
Phone yakazodzoka
mumaoko angu Donny
akufona achiti ave kuuya
kumba ndikati hapana
chakashata. Nyaya yangu
yandaive ndavinga hapana
akazoita basa nayo vanhu
vakuzama kubata Tendai
paphone uyo aisadavira
kusvika mapurisa aronga
kuenda kumba. Chomuti
akangondipa sign yekuti
ndiuyewo kumota ndokubva
ndaenda ndikanogara
kuopen truck neamwe
mapurisa. Ko aindibvunza
kuti ndiri kuendepi ndiyani?
Ndaive ndafirwaka saka
vaitofanira kubata maoko.
Tichisvika paMado takaona
Donny achiburuka taxi
ndikashaya kuti anga abva
Masvingo town zvanguvai asi
handina kukwanisa
kumubvunza. Mota yakamira
akapinda.
"Ko mukoma mapara dzei
makufamba nemapurisa?"
Akabvunza achizevezera
ndikati, "pakaipa
ndichakuudza."

"Ndaizviziva kuti one day


gava richadambura musungo
chokwadi ungatamba
nehupenyu kudaro hezvo
ndezvipi?" Aidaro
achinditambidza phone kuti
ndivaone futi mama vakatsva
ndokubva ndaita zvivindi
zvemurume ndikatora phone
iya kwakuchitanga kuona
maphoto aya. "Hapasi
pamba apa wani?"
Ndakabvunza ndaona munhu
wacho aive akatsva ari
pavhu patsvina chaipo and
imwe imba yaibuda paphoto
yaisatove yedu.
"Havasi mai vangu ava,"
ndakadaro ndichidzosera
phone ndatoona chero body
kuti yaita idiki pane
yaVaMasibanda. Mama
vanga vakareba uye
vakasimba asi munhu aive
papicture anga asina kureba.
When I tried to explain that to
others vakaona sekuti it's just
denial yekuti mai vangu vafa.
Ndiri kutadza kuzvigamuchira
ndosaka ndichiramba.

Takasvika pamba pakazara


nevanhu hana ikarova
ndafunga kuti zvesure
vashaya asi pandakazoona
munhu achibuda mukitchen
achimhanyira kumota
akavhura maoko ndakabva
ndangoti, "finish."

"Nyati yangu yadzoka kani!"


Vakadaro vachiita
sevachakwira mumota ini
ndokubva ndazojamba.
"Matomuka?" Donny
akabvunza achiratidza
kukanuka nekuona mama
zvikanzi, "anga ati ndakarara
ndiyani? Ko wativigirei nhai
Donny?" Vakadaro
vachidongorera mumota
vakaona pasina chiripo.
Vanhu vese vanga ndabva
navo wanted an explanation
so ndakati kuna Donny,
"akuudza kuti mai vafa
ndiyani iwe?" Asati apindura
Firi akabva amhanyira baba
vacho iye Donny kwakuenda
kumasure kwangu kuri
kusada kusimudza mwana
wake nekutya kusvibiswa.

"Iwe Mai Firi afa ndiyani!"


Akadaro Donny kune
mukadzi wake aingobata
bata zvisipo. "Inini?"
Vakashamisika nhema Mai
Firi zvekuti ndakangofunga
kuti mama pamwe ndivo
vatuma Mai Firi kuti vanyepe.

"Mai Firi wati ndafa nei ini?"


Vakabvunza mai vachienda
kwaive zvikanzi, "handina
kumbodaro ini vanenge vana
vanga vachitambisa phone
yangu. Iwe Firi ndakati chii
nekubata phone yangu?
Nhasi ndokurova chete!"
Vakadaro vachitsvaga
kashamhu ndokubva
vazongotora mugoti waive
padhuze. Mapurisa aive
atozembera mota achiona
firimi ini ndagara padoor
regota raFungai iye fungai
aive azvivharira mumba kuri
kunyarira mabasa emhuri
yake. Ini ndakambotanga
ndichanyara asi vanhu vacho
vaisagumirwa kubva kuna
mai kusvika kuvaroora vavo.

Ndakaseka ndega ndaona


Mai Firi vakupara para sadza
pamugoti kwakuchinanga
kuna Firi zvikanzi naDonny,
"zimhanza remunhu
unonyepa zvinhu zvakadaro!
Firi afona nevoice rako
achichema here? Firi
asingagone kunyora zita rake
muvhu ozonyora kuti kuno
kwaita nhamo?" Vakaramba
vakanyarara Mai Firi, mai
kwakuenda pavaive
vakabvuta mugoti uya
kwakutanga kurova Mai Firi.
"Unondishuvidzira rufu iwe
Mai Firi?" Vaidaro vachirova
musoro zvakapa Firi kuridza
mhere Mai Firi vaona kuti
hapana ari kuda kubata
ndewo kunyangwe mapurisa
vakati ko kudzosera.
Ndakatozosimuka ndaona
kuti ndingaremadzirwa mai
naMai Firi nekuti vanga
vasingachakwanise
kudzosera. Donny
ndaitomuona kuti matarisiro
aaive akaita fight ndeekuti
regai vanzwanane masimba.
"Musandibata bamukuru!"
Vakadaro nehasha kwandiri
ndikati, "zvakwana kani
mainini." Ndakatotaura zviri
soft zvikanzi, "zvakwana zvii
ndokubatanidzirai siyanai
neni zvenyu kana muchiri
kuda mazino enyu."
Ndakaseka nhamo serugare
ndione munhu
akutondisunda zvekuda
kutanga fight neni ndokubva
ndangovapa chibhakera one
chekuvaratidza kuti murume
ndiyani. Ndaive ndisingade
kuvarova asi kakundijairira
kavakaita ndiko
kakazondituma kuvadzosera.

"Denny mukadzi haarohwe!"


NdiChomuti akadaro achiuya
kuzondibata chero ndanga
ndatopedza navo. "Ko imi
manga muchitaura zvekufa
manga mazviwanepi Mai
Firi?" Baba vakasvikawo
pamba vachidaro kutoshaya
kuti vanga vaendepi pamba
pachiitwa matakanana.

"Baba ndanga ndichida


kungoti Donny ambodzoka
kuno ationewo chokwadi two
months asina kutsika pano?"
Donny akavira nehasha
anzwa reason yekunyepa
yacho akazongonyara Firi
kuti arove mai vake.

"Zvinowanikwa baba Firi ini


ndatobva kudoro ndichifara
fani, usatamwe zvichaita,"
baba vakadaro semunhu aita
majokes vanoseka vakaseka
zvavo vangu mai vakapinda
nemoyo zvikanzi, "hoo hoo
ndaibata nyaya yako Donny.
Wafutisira face kuti ndiri
mupenyu? Kutotsamwa kuti
ndichiri kufema!"

"Anga afadzwa nenhema,"


hameno ndiyaniwo
akadaidzira izvozvo pavanhu
vaive pamba. Vanhu
vakatanga kuenda one one
kusvika vapera including
mapurisa.
"Uyu ari kusara here?"
Akabvunza Tendai zvikanzi
naChomuti, "ehe asi anzi
adzoke mangwana."
Mapurisa aenda ndakenda
kunogeza ndokutoenda
mubedroom mangu
kunorara. Zuva ranga
richangovira asi ndaida
kumbozoroora nekufunga
kuti Nyasha ndichanomutora
sei. Ndaive ndakafunga
kuenda kunotaimira Nyasha
pakapinda mai mumba
nedish vachindigezesa
maoko kuti ndidye. Sadza
raive ratoiswa mudheka
nyama mukamwe kadheka.
Vaindibata zvakanaka
kudarika zvavaita baba
muridzi wemusha kutoshaya
kuti ndaive ndakavaitirei
chaizvo. Taipindirana
chaizvo nemuchembere
wangu asi ndaitoona kuti
tanga tave pedyo
nekupesana because of
Nyasha.

"Idyai kani Nyati," vakadaro


vaona ndati nyobvo nyobvo.
"Ndave bho mhai,"
ndakadaro ndichivhara sadza
nemuriwo zvikanzi, "kasi
vakurova kukamba ikoko
here Denny? Zvokwadi Moyo
anondiona gore rino,"
vakadaro vachifugura t-shirt
yangu kuri kuda kuona kuti
kumusana hakuna kudhinda
shamhu.

"Havana kundirova,"
ndakadaro ndichidzikisa
hembe zvikanzi, "chero
kumagadziko?" Ndisati
ndapindura ndakanzwa
Denny achiseka akamira
padoor zvikanzi, "bvisa
bhrugwa vaone kuti
vagutsikane kuti hauna
kurohwa."

"Kwana iwe!" Ndakadaro


achipinda ndokubva ndaona
shasha yakuvhura madheka
ndokuvhara ndikati, "taura
tinzwe."

"Ndotaurei zvangu nhai? Ko


maiguru vangu varipi
vandisiri kuona?" Akabvunza
ndikatanga ndatarisa mai
ndokuzoti, "adzingwa
namhai."

"Hezvo hezvo ndisiye


zvangu, ndamudzinga kana
kuti baba vake ndivo vauya
vachimutora. Unoziva kuti
baba vaya havana nyadzi?
Kusanyara kuuya kuzotora
mwana musikana
pamurume. Ihwo hunhu
hwematicha nikisi.
Handipamhe kuti mwana
angu aite teacher futi. Vanhu
ivavo havafungi mhani shit
kind apa kuomera." Vaive
vakutopinda Donny kabisira
nekuti aivewo teacher
sababa vaNyasha.

"Ko zvekuomera kwaRabbi


zvapinda papi?" Akabvunza
Donny zvikanzi, "hunhu
hwemateacher kuomera iwe
wabva Masvingo hauna kana
kuvigira Firi mabhisvo
zvawo."

"Kuti mumudyire?" Donny


said jokingly though he
meant it. "Wakaomera
zvimwe bvuma dai watosiya
zveteaching waenda
kuchikorokoza kuna baba
Tara uko."

"Mhai matanga, Donny


ndiDonny anoita zvinomuitira
iye baba Tara wacho chii
chaakaita chinoonekwa
kunze kwehura. Mukadzi
wake Mai Tara akapedzisa
kumutumira mari rini?"
Ndakadaro ndichisimuka
zvikanzi, "anohura ari nani
pane anoroora maunderage
ndikuudze." Vakataura
vachisekera svoto zvikanzi
naDonny, "iwe baba Tara ari
kutumira asi mistake anoisa
mari panumber yamama, Mai
Tara havawane chinhu."

"Hameno ini ndakuenda


kunoona underage yangu,"
ndakataura ndichitsvaga juzi
zvikanzi namuchembere,
"Denny dzikama uri kuda
zvejere handi?" Handina
kuzviterera ndikabuda
ndoenda kwaRabbi. Hwanga
hwatove husiku saka
ndakatoona kuti kuenda
kunhanga kwake
ndonomudana nepaka
triangular window ndizvo
zvaibuda sezvo anga asina
phone. Phone aive airamba
achiti anotya kuonekwa
anayo naRabbi.
Ndakanyahwaira but
ndakambomira ndanzwa
sound yemunhu aita kungati
ari kuchema ndokuzonzwa
kukosora kosora.

"Vhura muromo uyo


Nyasha," ndakanzwa voice
ravatete vake richidaro
ndokubva ndachizosvika
pawindow ndokuona mwana
akabatirwana tete
vachimumwisa zvinhu
zvandakaongoona ndega kuti
vanhu vari kubvisa nhumbu.
Handina kuzoda kuramba
ndakamira pawindow
ndokubva ndati regai
ndipinde mumba macho
ndokusvika ndichisunda
door.
End of chapter
https://chat.whatsapp.com/J
O7If2GkPI4EFvHtiHODER

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900
Chapter 5

Nyasha

Ndakazama kubatanidza
zvaiitika ndikashaya kuti
zvaifamba sei nekuti baba
vanga vambondisimudzira
demo vachiti ndibve pamba
pavo ndivo vanga vouya
kuzonditorazve. "Baba
musandirove!" Ndakadaro
tabva paruvanzwe rwaMai
Denny ndokubva varamba
vakanyarara zvakawedzera
kuti nditye ndikati, "ndakuda
kudzokera ini." Kwaingove
kutaura kwemunhu ane
muromo nekuti
kwekudzokera ndiko kwanga
ndisina.

"Kumba wakashayei nhai


Nhasha?" Vakabvunza
nevoice rakazara shungu
ndokungovapindura kuti,
"hapana baba," asi mumoyo
muchiti, "kumba ndakashaya
Denny chete."
"Aihwa zviripo
zvawakashaya mwanangu,"
vakadaro ndikaramba
ndakanyarara pave paya
ndokuzoti, "hamuzive zvenyu
zvakaitika baba." Nekuda
kuziva zvakaitika
takafambisa kuenda kumba
nekuti vaisada kuti titaurire
munzira. Tichisvika kumba
ndakaona tete vakandimirira
sandi kundipopotera ikoko
kusvika pakuti, "zvagara
mwana wehure ihure hakuna
kwazvaienda."

"Kana muri sure kuti mwana


wehure ihure siyanai neni.
Musade kundifananidza
namama nekuti takasiyana
and mai vangu havana one
day ravakati ndiite
zvevarume. Zvese izvi
zvandinoita ndezve musoro
wangu musade kupinza mai
vangu pavasingakwane
nekuti imiwo satete ndeupi
musi wamakambogara neni
mukandiraira. Musade kuti
ndokunyadzisai nekuti
manga magara musina basa
neni in fact hamuna
kumbobvira mandigamuchira
imi. Kana muchida
zvekunyara nyarirai Prim
kwete ini." Hasha
dzekurambwa kumba kwana
Denny dzanga dzave
kuperera pana tete.

"Kunyarira Prim kuti adii?


Wakambomuona
achimisidzana nevanhu
vakuru zvaunoita?
Hazvishamise kuti nezuva
rimwe watopindura
vamwene," ndakaseka
zvekupererwa ndokuzoti
regai ndivatokonye more tete
nguva dzichifamba. "Prim
ndiyeka hure akatizira
murume wemunhu."

"Waida kuti atizire murume


wembwa here?"
Vakandinyenamira vachidaro
ndikati, "saka ndikoko tese
tiri mahure." Ipapo mama
vakabva vasvika vachibva
kuhuni vakakanda svinga
ravo pamberi pangu
ndikatoshaya kuti kutsvene
kana kuti vashamiswa
nekudzoka kwangu.

"Ko uyu atodzoka?"


Vakabvunza vachibata
muchiuno zvikanzi natete,
"mweya yemadzinza
isingade marriage nemhepo
dzemadzitete akafa asina
kuroorwa dzaramba kuti
agare mumba."

"Hamurevi nhema ipapo


handiti ndimi amwe
emadzitete acho?" Ndakati
ndivarangaridze kuti naivo
vaivewo tete vangu uye
vanga vasina kuroorwa kana
kutombotizira sezvandaive
ndaita. Baba vachibva
kunogeza takabva tadanwa
tese mukitchen zvikanzi,
"taura nyaya yako tinzwe kuti
zvakafamba sei." Maziso
evanhu vese vaive mumba
akangoti nanga pandiri
ndokuzongogadzirisa pahuro
ndichiti, "ini ndanga ndisati
ndakuda zvekuroora henyu
baba asi kuti Denny ndiye
akanditsotsa." Ndakatsikitsira
pasi nekuti zvandaida
kutaura zvaitonyadzisa
worse mumba muna baba. It
was true Denny anga
anditsotsa.

"Akakutsotsa chirudzii?"
Vakabvunza mainini ndikati,
"aigara achiti anoda kurara
neni ndichiramba saka last
month paya akati
ndimuperekedze kwaNyika
achiti ari kuona munhu
wecontract yake but then
takamushaya apa mvura
yakatanga kunaya ndokubva
abooker lodge akati tofana
kumumirira imomo tiri safe.
Tapinda mulodge muya
akabva atanga kutaura
nyaya yake yekuti tirare tese
ndikaramba futi akabva
atsamwa achiti handimude
ndoda kungomutambisira
nguva ndikatoti ndomuda
zvemachokwadi ndipo
paakazobvunza kuti kana
ndichimuda sei ndichiramba
kurara naye ndikamuudza
kuti ndichiri virgin akati
ndinonyepa. Ndakatomuudza
kuti ndairevesa asi iye akati
anoziva sei asina kuona saka
pakuda kuzoona ipapo ndipo
pandakazorara naye."

Ndakazvidemba wani
ndapedza kutaura
ndanyatsoona kuti ndaratidza
kupusa. "Rakapusa iri!"
Vakadaro baba
vachindijunga junga musoro
ndokungopukuta misodzi
yaiyerera ndakanyarara.
"Waunochemera ndiyani
manje iwe wakaita
zvechihure wega?"
Vakabvunza nehasha mama
zvikanzi nababa, "hure
ndiyaniko iwe? Unoti
anoenda nepi mwana
achingonzi hure everyday?"
Vakataura vachibuda mumba
zvikanzi natete, "saka mati
todii?"

"Hapana asi uko


haadzokere?" I felt a little
relieved baba pavakadaro
mama vachizoti, "izvozvo
tazvinzwa asi anoita sei
nedumbu rake iri?"
"Handiti kwasara mwedzi
mitatu kuti June asvike
anoramba achienda
kuchikoro onyora dumbu
rake rinenge risati rooneka
kuchikoro," vakadaro
ndokutorova pasi.
Zvichingobva naivo vaive
vandirambidza kunyora form
four gore raive rapfuura
vachiti handina chandinoziva.
Munongoziva kurwadza
kunoita kuve mwana
wateacher that too
vaidzidzisa pachikoro
pandaidzidza. Vakatoti
havadi zvekutambisirwa mari
yavo ndozonyora ndaibva
pandaive ndave ready pacho
Denny akati munonyepa imi.
Ndakabuda mukitchen
ndichienda kunogeza
semunhu anga aswera nayo
tsvina pandakadzoka
kukitchen ndikanzwa
ndichinyeiwamo.

"Aihwa tete hanzvadzi yenyu


yakundikonewa apa.
Kugamuchira kwandakaita
Nyasha yatove mhosva
ikozvino ndonzi ndichengete
kanhumbu aka. Mari yese
yepay mukada kuzvitarisa
yaiperera pana Nyasha
zvichingonzi Nyasha this
Nyasha that pondoti
ndizorore Nyasha wacho
akuenda obva odzoka
nedumbu fungai kuti kana
Denny aramba nhumbu
yacho tisu futi takuona kuti
kamwana ikako kadyei and
manzwa muromo wavo
wekuti Nyasha adzokere
kuchikoro? Akanyora
akapasa handi vakati
anoenda kunursing anenge
akusara nemwana wake
ndiyani? Ini zvekuripiswa
ngozi handide chero iye
akarovera Jesu."

"Uchizvinyanya muroora
ndiwe waimusekerera
Nyasha naDenny pano
uchidya mabhisvo wega,"
vakadaro tete ndikati,
"ndaitika zviende manje
ndezvipi?"
"ZvaNyasha nababa vake
hazvipindirwe muroora
toswera tarohwa pano,"
vakadaro tete ndikatoona kuti
nyaya dzavo hadzina
pundutso ndokudzokera
kunhanga kwangu
kunorongedza zvechikoro
sezvo yanga yave back to
school. I was so sure kuti
ndatomboitwa nyaya mwedzi
wese kusvika tivhare.
Manheru ndakavigirwa sadza
nemukaka namama
vachifara chaizvo zvekuti dai
ndisina kunzwa
vachindinyeya
handaimbonyumwa asi apa
ndakangofeeler kuti
something wrong ndokubva
ndaramba sadza
ndikanokwatisa nyimo
ndikadya. Nguva dzekurara
shasha ikauya kuroom
kwangu yakatungamidzana
natete nambuya vepanext
vandaitotya nekungonzwa
kuti vanoroya and mama
chaivo ndivo vamwe
vaindiudza kuti vanoroya.

"Manheru?" Ndakavakwazisa
vakadavira kwakugara pasi
vachibata mabook nhema
sevanoverenga nekutya
kubirwa njere ndikatotora
mabook ndikamaisa mubag.
Baba vaigara vachiti ndine
njere shoma so imagine
ndaizosara nei kana mbuya
vaGugu vaba shoma
dzandaive nadzo?

"Imwa mvura iyi muzukuru,"


vakadaro mbuya vaGugu
ndikatarisa chigubhu chacho
ndokuona kusina mvura
yakaita kagreenish. "Water is
colourless," ndizvo
zvandaiziva since grade one.
"Handisi kunzwa nyota,"
ndakapindura ndichiisa
chigubhu pasi zvikanzi,
"ingonwa chete iwe."
Yakadaro mbuya iya
ndikatarisa mama neziso
rekuti, "explain what's going
on."
"Uyu mushonga wekuti
dumbu rako risakasire
kukura Nyasha tiri kuitira iwe
izvi handi uri kudzokera
kuchikoro," vakadaro mama
ndikasekera mudumbu
ndichiti mai ava vanondiona
sendakapusa here? Maybe
ndaive ndakapusa asi
kuterera conversation yavo
natete ndiko
kwakandipeputsa nekuti
ndaive ndakutofunga kuti
vave kundida nemoyo wese.
Dai aive mazuva apfuura
ndaigona kutodhudhudzira
mushonga uya ndakanyarara
ndichiti ndawanirwa solution.
Vaona kuti masamba
akachinja vakabva vaita
zvekundimanikidza kunwa
mushonga uya kuti ndidane
baba mushonga waibva
wapinda mumuromo
ndikatoona kuti better
kutoshinga kurumanisa
mazino kusvika vaneta pane
kubviswa nhumbu
ndakatarisa. Vanga
vazobuda pachena kuti vaida
kubvisa nhumbu of which I
was totally against it.

Denny ndiye akazoita


mununuri wangu asvika
vanhu vachindiroya
ndakasvinura. Paakapinda
akaita zvekugweura door
saka baba vakazviwa
kwakuchiuyawo.

"Iwe uri kudei pano?"


Vakabvunza nehasha baba
iye Denny kwakuburitsa
phone yake akatora photo
ndichiri ndakapiniwa
ndokuzoti, "imi moenda
kumapurisa kunotaura kuti
ndakarara neunderage ini
ndoenda kunotaura kuti
manga muchida kubvisa
nhumbu tione achagara
mujere makore akawanda
ndiyani." Baba vanga
vasingazive chaitora nzvimbo
saka vakatanga kubvunza
mhosva yese ikasarira
kunamama.

"Are you okay babe?"


Akabvunza Denny tave pedu
tega vamwe
vachipopotedzana. "Don't
call me baby wati hatina
kumborara tese ndiri kukupa
nhumbu isiri yako siyana
neni."

"Unodhuva kumhanya
Nyasha,"akataura
achizembera madziro ndikati,
"rega ndimhanye ko
ndinenge ndichishandisa
tsoka dzako here?"

"Oh watotanga so rough,"


handina kumupindura adaro
ndikati, "wavingei pano?"

"Ndauya kuzokutora,"
akapindura achitarisa kwaive
nababa ndikati, "unopenga
chete iwe."
"Zvakawanda totaura tave
kumba babe hande,"
akataura achidhidhonzera
kurima ndokuzoti, "ukada
kuomesa kadzoro kako
ndoita musengabere izvezvi.

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/B
ub8rtaRXon7kvpKbPJxCS
Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 6
Nyasha

Paakada kundisimudza
ndakamhanyira kuna baba
nekuti ndaisada kudzokera
kumba kwandaive
ndarambwa and iye
aizotozviona seakanyanya
kuti paanondida onditora
asingachade ondisiya. "Enda
mumba Nyasha,"
vakandidaro baba ndokubva
ndachingopinda muroom
mangu nekutokiya door.
Ndakavhunduka ndagarira
munhu pabed and iye
akabva andivhara muromo
kuti ndisaridze mhere.
Ndakaita zvekuruma maoko
ake ndanzwa kuti ndiDenny.
"Problem yako ndeyei
chaizvo?" Ndakabvunza ndiri
serious zvikanzi, "handina
kana problem asi iwe ndiwe
wakuda kuomesa musoro
pasina. Ndakuti hande
kumba ukaramba saka ini
ndakugara pano hangu."

"Kuenda kumba kwenyu


kwawakandidzinga kunodii?"
Ndakabvunza
ndichimudhonza kuti abve
pabed zvikanzi, "ko
kumbomira unzwe nyaya
yangu nhai Mamoyo?"

"Handisi Mamoyo ndonzi


Nyasha," ndakadaro akati,
"horaiti Nyasha ndanga
ndichiti hande kumba
ndinokuudza zvakaitika."

"Kana une zvaunoda kutaura


taura muno nekuti
ukangoona mai vako njere
dzako dzinobva dzaenda
kuleave," ndakadaro
ndichigara paside ndokubva
azotanga kutaura nyaya yake
yaive too good to be true.
"Believe it or not babe
ndokuda," akataura
achindirarisa pachest pake
ndikati, "asi mai vako vari
pamberi handiti kaa?"
"Ko tikambotaura nyaya
dzedu pasina kupinza
mama?" Akabvunza voice
rachinja ndikati, "we can't
avoid that nekuti ndivo
vandichanogara navo nguva
zhinji. Zviri nani ukavaka
Denny togara pedu tega."

"Uri mwana wasabhuku?"


Akabvunza ndikashaya kuti
zvabvepi ndokuti, "nope."

"Baba vako ndiishe wedunhu


rino?" Akabvunza!!
ndakadzungudza musoro
ndokubva azoti, "ini ndiri
hama yasabhuku?"

"Huh iwe taura nyaya yako


chete," ndakadaro
ndasvotwa nekungobvunzwa
zvisina basa zvikanzi,
"ndenge ndichida kuti
unzwisiseka. Hapana munhu
anopihwa land ka2 muno.
Land yandakapihwa ndiyo
yandakavaka naMai Ishe and
iwe unoziva kuti
zvakatovharana."

"Izvozvo ndozviziva but


handi wakapihwa minda
yakawanda imwe yepaseri
pegomo kozoti kuzasi
nekumba kwaMai Ishe
tongotsvaga kumwe
kwekuvaka nhai." Ndakadaro
ndatotanga kucalculator
makuriro eminda yaDenny.

"Unoda kutanga hondo


naMai Ishe handiti? Kana
kuti wakuda zvebarika?"
Pandakanzwa nyaya dzacho
dzakurerekera kubarika
ndikati, "fine then but
tinosvika kupi tichinetsana
namai vako and kana
usingade zvekuvaka
tichagara pamba paMai
Denny kusvika Jesu
adzoka?"

"Ari kudzoka rini Jesu?" He


asked jokingly ndikati,
"chimbomira izvozvo titaure
zvine musoro."
"Nyasha chimbomira
kundiona semwana mudiki
handiti? I know kuti iwe
naMai Matadza kupindirana
hamupindirane. Ndinoita plan
manje manje chako kuvimba
neni wosiira zvese mumaoko
angu sababa," akadaro
achigadzirisa pillow ndikati,
"sababa vani?"

"Baba vaFuture," akataura


achibata dumbu rangu
ndikamuka fast ndichiti,
"kana zviri izvo
zvamakaronga naMai vako
kuti mwana wangu anonzi
future mainyeperana,"
ndakadaro nekuti ndaiziva
Mai Denny. Vazukuru vavo
vese ndivo vaive vapa mazita
ana Firimoni, Tarara
Isheanesu etc.
"Vakadzi mune drama
ndazobvuma manje.
Taizoronga zvekupa mwana
zita chirudzii ivo vasati
vabvuma nhumbu yacho?"
Akaseka apedza kudaro
ndikamubata muromo nekuti
anga atove comfortable
kukanganwa kuti panze pane
vanhu. Iyo noise yepanze
yanga yati dzikirei.
"So takuita sei?"
Ndakabvunza Denny
zvikanzi, "iwe wotombosara
pano handi mudhara wako
haana problem newe."
Ndakaridza tsamwa
yekupererwa adaro nekuti
anga atochinja pfungwa.
"Hona Nyasha baba vako
vakandisungisa and kuti
udzoke kumba izvezvi it's
impossible nyaya yacho
inomuka futi so apa ndanga
ndichida kudzokera kupolice
ndombonoona Chomuti
ndonzwa kuti zviri sei. After
some days ndotuma munyai
otaura nababa vako hasha
dzaserera iwe wozouya
kumba plus remember ndine
contact yekuvaka yandisati
ndapedza apa ndofanira
kupedza weekend."
"Amazing Dennis,"
ndakadaro ndichimuuchirira
maoko zvikanzi, "ko chii futi?'

"So pawabva kumba kwenyu


wanga usina kuzvifunga and
pawanga uchida kundiita
musenga bere wanga uchida
kuzondiendesepi?"
Ndakabvunza ndakamutarisa
zvikanzi, "ndanga ndisati
ndafunga zvakanaka plus
ndanga ndichazonogara
newe kwaNyika tichiona way
forward." Our discussion
went on and on kusvika
ndazobatwa nehope and the
next morning pandakamuka
Denny anga atoenda.

Mudhara vanga vatoenda


kuchikoro ini ndasara
namama vaive
vakanditsamwira sekuti
ndanga ndavatuma kuti
vandibvise nhumbu. Ini ndini
ndaitofanira kutotsamwa.
Sezvineiwo ndakasiyana
navo nekuziva kuti havana
zvavaindiita pamba pababa
vangu. After two days baba
vaDenny vakauya pamba
kuzoona mudhara wangu
ndikatoziva kuti ndini
discussion. Nyaya yekupolice
yanga yatoshaya value
zvichikonzerwa necorruption
yemapurisa edu. Sekutaura
kwaDenny nyaya
yakazoperera kudare
kwasabhuku uko Denny
akanyatsobvuma zvake kuti
nhumbu ndeyake chero mai
vake vaida kumurambira
vakazonyarara vaona kuti
vangatozviita benzi. Padare
pakatenderwana kuti Denny
achingoroora ndoenda
kumba kwavo izvo
zvakasvota vamwene
vakabva dare risina kupera.

Zvekupfeka uniform zvanga


zvatovharana chero
ndaizongononyora. Denny
aive ati achandibatsira asi
ndaiziva kuti anga ari
mastatement chero anga
akamboita teaching. Anga
akaita teaching kare
nekushaya basa ndipo
paakazotanga zvebuilding so
tell me kuti munhu anga
akaguma kudzidzisa 8 years
back that too kuattachment
ozondidzidzisa.

"Wahwinhaka?"
Ndakavhunduka ndanzwa
voice raMai Denny kumasure
kwangu ndokucheuka
ndichiti, "maswera sei
mama?" Vakangodzungudza
musoro kwakupfuurira mberi
ndikasara ndichitaura ndega
kuti, "ndanga ndiri
kumasports here
kunohwinhiwa?"

Within two weeks Denny


akauya kuzobvisa though
asina kupedza semunhu
anga ane mombe shoma
zvaisazoita kuti danga risare
risina chinhu. Baba vake
vaive nemombe dzakawanda
asi Mai Denny vakagara
vabuda pachena musi
waitwa dare kuti kudanga
ravo hakubatwe kana mhuri
asi zvakaoma kudaro
ndakangoenda pamba pavo
ndikatopembererwa kwazvo
the following morning
ndikatotamba chiroora
though vamwene didn't
participate saying, "BP yangu
yakakwira ndoda kuzorora."
For sure yanga yakakwira
nekuti makumbo avo anga
akatozvimba. Ava masikati
ndakatovabikira chikafu kuti
vawane kudya vamwe
mapiritsi.

"Ndiyaniko abika chikafu


akuda kundiuraya?"
Vakadaro vachibva
mubedroom mavo
vakananga kutoilet ndikati
mafunnies aya atanga regai
ndisiye zvakadaro asi
pandakaona munhu arovera
kutoilet ndakangoti regai
ndinomutarisa ndokuona
chembere ichirutsa. Nekuda
kwekuti ndini ndanga
ndabika nekuvapakurira
chikafu ndikavavigira hana
yakatanga kurova ndichitya
kuti chembere iyi yakaona
chayaiona ndini ndaipihwa
mhosva. Luck enough
murume wavo anga aripo
saka ndakadana baba
ndokubva vavatora
tikabatsirana kuvaisa
mungoro kuti tiende
kuchipatara navo sezvo mota
yaDenny yanga isipo pamwe
chete nemuridzi wayo.
Denny takazotomufonera
tasvika kuchipatara though
akasvika kuchipatara vave
out of danger in ndave in hot
soup sezvo yanga yanzi
ifood poison. Kushata
kwazvo pandaive ndakabika
vanhu vese vanga vasipo
pamba pangori nababa avo
vaitoveza mipini yemapadza.
Denny anga asina kana
kutaura neni
achingonyaradza mai vake
vaiti, "ndakambokuudza
Denny nezvemukadzi wako
hona nhasi apotsa
andiuraya."
Ndaingozvichemera
ndakazembera madziro
pasina kana aiti Mamoyo
ndakatozopatika mota
yaDenny yakumutswa
kudzokera kumba.
Ndakaedza kumhanya
ndichida kuimisa but it was
too late ndokuzototimba
netsoka kusvika kumba
kuma7pm. Imbwa
dzakambondihukura asi
dzakazokasira kunyarara
dzaona kuti ndiMamoyo.
Ndakafamba zvishoma
shoma ndichienda kukitchen
ndokugogodza ndikanzwa
Fungai achiti, "ndiyani?"

"NdiMamoyo," ndakapindura
ndichida kuvhura door
zvikanzi nababa, "dzokerai
kwamabva VaMamoyo."

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/J
O7If2GkPI4EFvHtiHODER

Mamoyo
Written By Rue M
0788357900

Chapter 7

Nyasha
Ndakaseka nechemumoyo
ndichiti, "baba vakakwana
here? Ndiri mukadzi wavo
wavanodzinga?" Ndakabata
door ndichida kuvhura wanei
rakakiiwa nemukati. "Denny!"
Ndakati ndidade murume
zvikanzi naiye, "Mamoyo
handide zvekutaura newe."
Adaro ndakagara padoor
ndichiti pane achavhura asi
hapana ndikati, "ko kuenda
kubedroom kwedu?"
Ndakaenda ndokuona
kwakavharwa ndokuzviudza
kuti haisi pressure ndogara
kusvika vabva kukitchen.
Havana kuzotora nguva kuti
vabve kukitchen ndikaona
avo vamwene vangu
vachikamhinha ndikaridza
tsamwa.

"Iwe uchiri pano?"


Akabvunza Denny asvika
pandiri ndokubva ndasimuka
ndichiri ndipinde mumba
naye asi akakasira kubata
munyati wacho ndokutopinda
achikiya. Ndatoona kuti pano
pakashata ndakafunga
kuenda kwairara vazukuru
vaMai Denny asi
pandakaona chembere
yakanangako
ndakazvidzikamira ndichiti
ndozoendako vabva. Vakati
nyaa imomo kunze
kukatanga kuita kamhepo
nekachando kekuda kunaya
ndipo pandakatozorangarira
kuti Rabbi anga achiri
mupenyu uye achiri kundida
saka zvaive nani kumhanya
kumba kwedu kusati
kwanaya. Zverima handina
kunyanya kuzvitya nekuti
chinangwa chaive chekuda
kusvika kumba.
Ndichangodarika pagoronga
ndakanzwa munhu
ainditevera ndikatanga
kumhanya ndafunga zvipoko.
Pandakatanga kumhanya
munhu uya aive kumasure
kwangu akabva awedzera
speed zvakandipa kutya
kukuru.

"Iwe Mamoyo mira mhani!"


Ndakazomira ndanzwa voice
rake richidaro, anga ari
Denny aida kundipinza fear.
Ndakamira ndichikoka hasha
zvekuti paakasvika
achindibvunza kuti
ndaiendepi husiku ihwohwo
ndakatanga ndamurova
chibhakera. "Don't be
dramatic Mamoyo," akadaro
achindibata maoko ndikati,
"inini manje ndave kuita
zvemadrama?"
Ndakabvunza voice riri
pamusoro. "Ehe saka apa uri
kuti uri kuendepi?"
Kutobvunza akatsamwa as if
aive asiriye andisiya
kuchipatara akandivharira
panze. Paakati hande kumba
handina kuzoita nharo sezvo
mvura yanga yakutanga
kupfunha pfunha zvekuti
takatosvika kumba
tanyorova.

"Ngatitange tageza shar,"


akadaro Denny tichipinda
mubedroom ndikati,
"nemvura inotonhora
kakanganwa zvako."

"Vamwe vanhu matyiro


amunoita mvura akaoma,"
akadaro achindibetsera
kubvisa dress. "Kuri
kutonhora Denny remember
ndini ndakakudzidzisa
kugeza," ndakamudaro
akaoma nekuseka ndokuzoti,
"ndasiya ndaisa mvura
pamoto nekuti ndaziva kuti
unonetsa." Ndakatora
zambia ndikamonera iye
achienda kunotora mvura
tikazongosangana
kubathroom. Anga ave
manheru so we didn't mind
getting romantic and
kaweather kacho
kainyatsoita. Tisu uyo
mubathroom tichigezesana
ndokuzonzwa door
rakunokwa.

"Mune munhu," Denny ndiye


akadavira zvikanzi, "uri
kuitei?" Vanga vari mai vake.
"Ndiri kugeza mhai," akadaro
ndokubva vabata handle
yedoor nekuti takatoona
nemukati kuti yabatwa.
"Unani imomo?" Vakataura
vachida kutovhura door
zvakandirovesa nehana iye
Denny akatomhanyira kutora
zambia rangu kuti amonere
mai vake vasati vamuonerera
sezvo vaitonzwikwa kuti
vaida kupinda. "Ndina
Mamoyo mama," akapindura
nezwi rainzwika kusvotwa.
Ivo kuzongonzwa kuti
Mamoyo vakabva vavhura
door nekupinda ndikahwanda
kuseri kwaDenny sezvo
ndaive ndakashama. Touch
yephone yaDenny ndiyo
yaive yakaita kuti bathroom
yese iti bhaa nelight saka
zvekuonererwa naMai Denny
ndaisada.

"Nhai mhai hunii


hwamakuita?" Akabvunza
nehasha Denny zvikanzi,
"huni hwepi hwaunoda
kundiudza iwe uchigeza
nekamhondi aka."

"Mhai musada kundiitisa


ngozi!" Akadaro
akufemereka nehasha ivo
ndokudududza vaona kuti
Nyati yavo yatsamwa.
Vakabuda havo asi mweya
weromance wakabva
wabuda kusvika Denny
atogarira pamusoro pebucket
raive nemvura akabata
musoro. "Ini handisati
ndapedza kugezaka,"
ndakadaro ndichimubata
bendekete akaita
kakuvhunduka ndokusimuka
akanyarara ndakapedza
kugeza akangochiller
ndokuzopfeka short rake
achindipa zambia rangu.
Takamhanya kubedroom
kwedu tikasvika shasha
yakatimirira mubedroom
medu yakati goo pabed.

"Mama tiri kuda kuchinja,"


ndakadaro ndatoona kuti
mbuya ingatoenderera
zvikanzi, "chinjai
marambidzwa nani?"

"Murimo here Denny


anokurura sei?"
Ndakabvunza Denny wacho
angori serious ari
pawardrobe achitsvaga
hembe. "Chii chinoshamisa
pana Denny munhu
wandakakura ndichigezesa?"
Chero zvainzi vamwene
ndiMai vangu vamwene
vainzwisa hasha. Ndainzwa
kuda kuvadzipa pahuro.
Naiyo poison chayanga
yaregera kuvauraya
ndakachishaya ini. Zvaitove
nani kunetswa nemapurisa
zvichinzi ndauraya munhu
pane kuonererwa murume
ndiripo.

"Simukai!" I smiled ndaona


Denny achibata mai vake
ruoko achivasimudza
ndokubva avamanikidza
kubuda ndokutokiya door
vabuda. Akasara akatsamwa
zvekusada kutaura Denny
but i was so proud of him that
I offered him a massage. For
the first time anga aisa mai
vake panzvimbo yavo chaiyo
chaiyo.
"Thanks," akadaro ave calm
akurara pamakumbo pangu.
"Chii chanyatsoitika masikati
babe?" Akabvunza nyaya
yanga ndakuti yapera
ndikamuudza zvaive zvaitika
chaizvo.

"Hapana ambopinda
mukitchen uchibika Mamo?"
Ndakadzungudza musoro
adaro ndokuzovhurisa
maziso ndarangarira kuti
baba vake Denny ndaive
ndambovasiya mukitchen
vega after ndatopakura
chikafu. Vaive vandituma
panze kunovatemhera
mhiripiri ndokubuda
kwandakaita mukitchen
ndokuzodzoka ndopa Mai
Denny sadza kubedroom
kwavo. "Baba
havangamboise mushonga
noo." Ndakazviudza kudaro
ndokutoona zviri better
kusaudza Denny nezvababa
vake nekuti aizoona
sendaivapumha huroyi.

"Ko baba vanga varipi that


time?" He asked and I
replied, "mukitchen." Ndanga
ndisingade kuzvitaura asi
sezvo anga abvunza handina
kuda kumunyepera.
"Something is fishy here,"
akadaro ndikati, "so uri
kufunga kuti ndini?"

"When did i say that? Ndiri


kuziva kuti hauna kuisa so
ndiri kushaya kuti ndiyani."

"So paya wandisiirei


kuchipatara?" Ndakabvunza
zvikanzi, "handina
kumbokusiya willingly
ndatozozviona ndasvika
kuno kuti wasara."

"Liar," i said zvikanzi, "let's


forget it babe
ngatimbosimbisa Future."

"Who is Future?"
Ndakabvunza ndichimutema
nepillow and in no time tanga
takutosimbisa mwana
zvakaita kuti ndinonoke
kumuka. Ndakazvinyarira
ndamuka zuva rakwira
ndikati Denny kana kuda
kundimutsa kuri kuda
kutsvaga kunditukisa
nemuchembere wake.
Ndakageza kuface
ndokunanga kukitchen
kwandakasvika Denny achiti,
"Nyasha haakwanise
kuuraya kana huku so
anozouraya munhu akamira
pai? Zviri paviri kuti mhai
ndimi makazviisira
mushonga wemakonzo
nekuda kuti Nyasha abve
pano kana kuti imi baba
ndimi makaisa mushonga
nekuda kwekuti
makarambana namai saka
imi mukasataura chokwadi
muchaona zvandinota."
End of chapter
https://chat.whatsapp.com/E
NkuckAPCanFaJ1dTwBgFf

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 8

Nyasha

Ndaiti ndini ndega


ndakaterera ndokuzoona
vana mainini vanguwo
vakanamira pamadziro kuseri
kwemba. "Wave
kutivhunditsira pamusoro
pekupotsa kuuraiwa
nemukadzi wako?"
Vakabvunza vamwene
zvikanzi, "handisi
kukuvhundutsira and I want
this to be the last time you
blame Mamoyo fo..." Asati
apedza akanzi namai vake,
"shut up usade kushamisira
uchitaura chirungu
zvenhema ndirini
ndakakuendesa kuchikoro
pasina ini hameno ungadai
uripi iwe asi nhasi wakuita
sewamera mapapiro nekuda
kweka under age zvako."

"Musade kutiza nyaya yenyu


mhai ndati poison yakapinda
sei mundiro!!" Akadaro
achirova door zvine hasha
zvikanzi, "bvunza mukadzi
wako izvozvo." Asati
apindura Ishe akabva apinda
mumba achiti, "wakauya
nagogo aYudo(Rudo) akati
ipa gogo ako ndikamupa
gogo akaisa pasi achiti
haafeka unoitisa mudumbu
chete haasi mama vangu
akaisa nigogo," aiti ari
kununura Mai asi haana
kuziva kuti ave
kutozvivengesa nambuya.
Ndakaenda paive naIshe iye
ndokubva ati, "ausika
mama?" Ndakagutsirira
musoro ndokumuzevezera
kuti anyarare zvikanzi naMai
Denny, "zvino haunyare
Mamoyo kutuma mwana kuti
ataure manyepo akadaro?"
Mwana wacho ndiye
akatanga kushamisika anzwa
mbuya vake vachidaro
ndokuti, "anisi kunyepa ini."

"Fungai!" NdiDenny akadana


Fungai uyo akauya
achimhanya akatumwa
kunodana mbuya vaRudo
zvikanzi navamwene,
"newewo Denny unazvo
unganodanira mbuya
yevanhu nyaya dzemakuhwa
idzi iko kutamba nepwere
ndokunoita kuti uite semunhu
asingafunge iwe Fungai
tigarire pasi uko." Denny
haana kuvapindura ndokuti
kunaFungai, "iwe enda
kwandakutuma!" Akapusa
Fungai achishaya kuti
oterera ani mai vachiti gara
mukoma vachiti enda.
Akazongorovera moyo
padombo akamhanya
kwambuya vaRudo ikasara iri
noise. "Kubva nhasi uti mhai
kuna Denny kwete kwandiri
wazvinzwa?" Aigozvinzwa
nepi zvavaitaura mai vake
iye anga aenda. Zvaive
pachena kuti Denny ndiye
aipihwa respect pamba
yakanyanya zvisiri zvekuti
ndiye anga ari dangwe but
because Denny was the
breadwinner. Vamwe
vakomana vaishanda zvavo
but you could see that mari
dzavaitumira dzaive
dzekuchengeta vakadzi vavo
nevana chete. At first
ndaifunga kuti Mai Denny
vanoremekedza Denny
kudaro nekuda kwekuti ndiye
provider but ndaive
ndakutoona kuti noo mhani
there's something more to
this love and respect.
Mbuya vaRudo vakasvika
pamba ndokungonaiwa
nemibvunzo pasina
avamutsa. "Mushonga
wamakapa mai ndewei?"
Akabvunza Denny vakatanga
kuti, "mushonga? Mushonga
upizve nhai mwanangu?"

"Mushonga wamakavapa
kuswera zuro," akadaro
achienda kwavari ndikaona
Mai Denny vachitsonya
mbuya vaRudo but mbuya
vaRudo havana kuzviona
vari busy kuti, "mushonga
mushonga?" Denny asvika
pavari vakazoti, "hoo hoo iwe
mai vako vakaauya kumba
kwangu nechana chako
vachikumbira mushonga
wemakonzo vachiti pane
gonzo ranetsa
ndikatovapungurira."

"Ko zvekuti unouraya


zvaizobvepi?" Akabvunza
zvikanzi nambuya vaRudo,
"kwakanaka here nhai
mwanangu ukagoita
semupurisa? Mai vako avo
ndivo vakabvunza kuti vanhu
unouraya here vachiti
vanotyira vazukuru vavo
vanobata pese pese ndikatoti
hauzouraye zvawo asi
unoitisa mudumbu wekuti
unodemba kufa pane
pandakatadza here?"

"Maita basa chose ndizvo


zvega zvanga ndichida
kuziva," akadaro Denny
mbuya vaRudo vakadzokera
kumba kwavo vachishaya
shumo yazvo kuti vabvunze
vaitya Denny. "Mbuya
vaRudo vanonyepa futi?"
Akabvunza mai vake Denny
zvikanzi, "mushonga
ndakatora wemakonzo kwete
wekuda kuzviuraya munhu
akakwana angazviuraya?"
Madiro avaiita kutambira
kure nechokwadi
akandipedza simba
ndikanzwa vakunzi,
"kumbirai ruregerero kuna
Mamoyo." Vanzwa kudaro
vakati gwadara pasi kuri
kutemba kuti vanowachirwa
nevaroora.

"Sorry Mamoyo handina kufa


pawakandiisira poison
musadza asi next time ndiri
kufa. Ndokumbirawo
ruregerero murora wangu
ndakatadza kufa,"
ndakapererwa vakudaro
Denny akadzungudza
musoro akavatarisa
ndokundidana tikaenda
kubedroom.

"I'm sorry Nyasha," akataura


achinzwisa tsitsi ndikati,
"next time pavanozviita
ukandisiya muchipatara i'm
not going to forgive you.
Unoziva ndakafamba
netsoka kubva kuchipatara
kwese uko?"
"Ko iwe waive waenderei
usina kupfeka mapushi?"
Akabvunza achindidhonzera
paari ndikati, "takabva
tichimhanya mhanya."

"Ini mai ndazovatadza


everyday drama," ndisati
ndapindura ndakanzwa Ishe
okwama ndikabuda mumba
ndichinotarisa ndokuona
achirohwa nambuya vacho.
"Ko aita sei?" Ndakabvunza
ndasvika pavari ndichida
kubata shamhu
vakabatanidzira makumbo
angu kabisira. "Mwana
akakanganisa haacharohwe
here pano? Mototiudza imi
mai vepano," vakadaro
vachikanda shamhu kure
vaona Denny achibuda
mumba. "Handina kuti
musamurove asi ndabvunza
kuti aita sei?" Ndakadaro
Denny akasvika
achibvunzawo kuti mwana
aita sei zvikanzi, "mwana
wako ane mavovo
kungomugumha otochema.
Ndiri kuisa cobra akusvika
achiitsika tsika isati yaoma
ndokubva ndamurova rova
maoko kwakutokwama
semunhu abatirwa banga."
Pavakanyepa kudaro ndakati
handivapikise ndikatora Ishe
ndikaenda kukitchen naye.
Airoverwa mhosva
yekufumura mbuya
zvekutsika cobra zvaitove
zvimwewo.

"Gezai timbobva pamba,"


akadaro Denny apinda
mukitchen tikati, "yes yes
yes."
"Regai muchinzi pwere
hamuna kana kukwana,"
akadaro Denny aona
tichifarira kubva pamba.
Takageza tikapinda mumota
tisina kana kudya nekuziva
kuti kumberi tainotengerwa
tunonaka. Tasvika kuroad
yemota ndokuona Mai Ishe
vachimisa mota yaDenny
ndokubva ndamutarisa
neziso rekuti chii chauri kuda
kuita paakamisa mota paside
peroad.

"Mamoyo zviri sei?"


Vakadaro Mai Ishe vauya
pamota ndikati, "ndiri bho
muri sei?"

"Ndingaonei zvangu ini? Muri


kuendepiko nhai Ishe?"
Vakabvunza mwana
vachimutambisa ruoko. Ishe
akasimudza mapendekete
zviya zvekuti handizivi. "Ndiri
kuenda kwaMakuvaza uko
ndokumbirawo lift kana
muchienda neikoko."
Vakataura vakatarisa Denny
zvikanzi, "pindai?" Ndakaona
munhu ovhura kumberi
Denny akati, "endai
kumasure kuno hamukwane
kani."
"Hii nhai Denny ndorohwa
nemhepo kumasure uko
pane kuti tipatikidzane
tikwane kumberi kuno.
Svedera uko Mamoyo
tinokwana," vakadaro
vachindiswededza
ndikaswedera Denny
akanditarisa neziso
rekunditsiura. Ndiye aive
abvuma kumisa mota saka
aitofanira kuvatakura.
Ndaisvotwa ndinavo paside
asi hapana zvandaikwanisa
kuita apa ivo kuda nyaya
manje. Vaisazorora
kubvunza kusvika ndazoti,
"muri mutapi wenhau here?"

"Hezvo watotsamwa nhai


Nyasha zvino unogara sei
navamwene vako kana
uchitsamwiswa nezvinhu
zvisina basa kuda?"
Vakadaro ndikaramba
ndakanyarara ndokuzoti
kuna Denny, "ndokumbirawo
umise mota ndiende
kumasure hangu."
Yakamiswa mota zvikanzi
naDenny, "Mai Ishe enda
kumasure can't you see kuti
Mamoyo haachafeme
zvakanaka?"
"Iye ngaaende kumasure
kune mhepo yakawanda,"
vakadaro zvikanzi naDenny,
"fine chiburukai awane
kubuda." Paakadaro
ndakamutarisa neziso rekuti
tinopedzerana. Mai Ishe
vachiburuka akabva akasira
kuvhara door nekutotanga
kudriver vakasiiwa vakati
vavava paroad. Luck enough
Ishe anga arara otherwise
aizobatikana kuona mai vake
vachisiiwa nemota.

"Hausi serious Denny,"


ndakamudaro zvikanzi,
"atosvika uyo let's forget
about it." Ndakangosiyana
nazvo tikaenda kugrowth
point kunozvifarira
ndokuzodzoka kwasviba
chaiko. Denny akasvika
pamba achibuda achienda
kwaive afonerwa regarding
nyaya dzekuvaka. Akaenda
naIshe ndokusara ndiri
ndega mubedroom sezvo
panga pasina chekuendera
kukitchen vanhu vapedza
kudya. Semazuva ese Mai
Denny vakapinda
mubedroom vasina kunoka.
"Kwabviwa kuri sei?"
Vakabvunza vachigara
pabed ndikati, "kuri right."
"Zvinokudzwa nekuti mazuva
mashoma uchifara kudai,"
ndakanyarara vadaro nekuti
Denny aive andiudza kuti
kana vatanga kutaura
ndinyarare nekuti kazhinji
vanenge vachitsvaga kuti
vazoti vakapindurwa zvakati.
"Unoziva chakaendesa Mai
Ishe? Handidi munhu
anopinda pakati pangu
naDenny. Dai uri umwe waita
waterera zvandinoda nekuti
pano unobva usina
chaunacho semabviro akaita
Mai Ishe. Wakambonzwa kuti
vakabvirei?" Kwanga kwave
kundivhundutsira ndokubva
ndazovati, "imi problem
yenyu nevakadzi vaDenny iri
pai chaizvo nekuti ini handina
chandakakutadzirai asi
munongondivenga."
"Kudiwa kwawakaitwa
naDenny ndiyo mhosva yako
hombe iyoyo nekuti ndanga
ndisingade kuti Denny
aroore," it came straight from
the horse's mouth.

"Why manga musingade kuti


aroore?" Ndakabvunza
zvikanzi, "because ndaida
kuti..."
End of chapter
https://chat.whatsapp.com/H
ecBhzGnXnVENGNeLxoXL0

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 10

Dennis
Zuva richidoka ndakaona mai
vakusvika pamba vega
Mamoyo vasinaye ndikangoti
pamwe vanetsana umwe
neumwe akauya neroad yake
achasvika zvake Mamoyo
uku ndaidemba chandaive
ndabvumira kuti aende
nekutoziva kuti aiswedzwa
nenzara. Vakasvika mai
nekunanga kubedroom
kwavo vasingadavire
vaivasweresa. After thirty
minutes or so ndaona
Mamoyo asina kuuya ndikati
ko kunobvunza kwasara
mukadzi.

"Handina kana appetite


zvandaitirwa naMamoyo
surrender," ndakasvika
mubedroom mavo vachidaro
kuna Mai Firi ivo Mai Firi
vachindiona vakabva
vasimuka vachibuda
mubedroom kwakundidira
mvura iri mudish kwakuti,
"sorry imistake." Vaive
vachiri vakandibatira grudge
remusi uya wavakanyepa
kuti mai vafa. Pamba
taipfuudzana pasina aimutsa
umwe. Ini ndanga ndisina
pressure navo asi ivo vaitoda
kuti ndivanhanzve kuti
vanditaudze of which nguva
yacho ndanga ndisina.

"Mamoyo aripi?" Ndakadaro


ndichigara pasi zvikanzi,
"ndaswera kana
waswerawo." She wanted
me to feel guilty but ndaizoita
zvemafeeling akadaro
Mamoyo avepo. "Ndati
Mamoyo aripi?"
Ndakabvunza kepiri voice rati
kwirei kuitira kuti munhu
aone kuti ndiri serious.
"Asara," vakadaro vachipinda
mujira ndikati handivabvunze
zvakawanda ndokuti, "endai
munomutora handi ndimi
mabva naye pano."

"Hezvo nhaiwe unondishura?


Ndomutora pai?"
Vakakanuka nhema
vachidaro ndikati, "momutora
pamamusiya." Vakamuka
vakatanga kupfikura zvavo
ini ndisisina kugadzikana
nekufunga kuti kamwana
kevanhu kaive pai. Mai
kusavarova yaingove nyaya
yekuti vaichengetedzwa
nengozi chete pasina
zvengozi ndaiswera
ndavakwatura nekuti zvimwe
zvavaiita zvainzwisa hasha.
"Wanga washayei
pawakatora Mamoyo nhai
Denny?" Mubvunzo wavo
wakandisvota ndikabuda
mumba mavo ndichidana
Fungai.

"Mukoma!" Akatouya
achimhanya asati anzwa
zvandamudanira akabva ati,
"ko maiguru varipi?
Ndasangana naRabbi akati
vandipe maquestion paper
avavapihwa zvese
nemabook acho amake
mate..."

"Mamoyo haapo," ndakadaro


ndatoona kuti haapedze
kutaura zvikanzi, "vana mai
havasati vadzoka nazvino
here? Ndanzwa Ishe achiti
vadzoka wani?"

"Mai vadzoka asi Mamoyo


achigere kudzoka iwe
chienda kwaSekuru Shumba
unovadana uti zvanzi
naDenny svikai kuno
nekukasika, utodzoka navo
nekukasika." Ndamuraira
kudaro aitoda
zvekundibvunzurudza
ndokuzoenda aona
ndaramba ndakamutarisa.

"Fungai! Fungai!" Vakatanga


kudana mwanakomana wavo
mai chero vaive vanzwa kuti
ndamutuma. Chinangwa
chaive chekuti ndivapindure
asi ndakaramba
ndakanyarara. Nguva
idzodzo Munya hanzvadzi
yaMamoyo akabva asvika
pamba achida maquestion
paper ndikatozopinda busy
yekumatsvaga kuti ndimupe
ndangoti Mamoyo ari panext
nekuti zvaisaita kutaura kuti
Mamoyo haapo abva pamba
kuma3am namai vangu kana
adzoka achazomatarisa ega.
Munya achienda Fungai
akabva asvika nasekuru avo
vaifamba vachidya kuri kuda
kuti ndione kuti
ndavasimudza vachidya. Ko
vanhu vacho vaive nedrama
asi kuti sekuru vaizoita
semunhu mukuru kudarika
hanzvadzi yavo.
"Kwakanaka here
muzukuru?" Vakadaro
vachigara muberevere remba
vachifemereka
ndikatovanzwira tsitsi
nekuvamhanyisa. "Hakuna
kunaka sekuru hanzvadzi
yenyu yabuda nemukadzi
wangu kuma3am asi munhu
kwakudzoka ega iko zvino
achiti Mamoyo asara saka
ndokumbirawo imi
sehanzvadzi yavo
muvabvunze kwavamusiya
ini ndikazotaura navo
ndopedzisira ndaita zvimwe."
Mai vanzwa ndichireva
kudaro vakabuda mumba
ndokuuya kuzoisa musoro
pamakumbo ehanzvadzi
yavo kwakutanga kuchema.

"Mira kuchema Mai Denny


utaure kuti muroora
wamusiya kupi?" Vakadaro
sekuru zvikanzi namai, "gore
rino ndikasafa neBP
handichafe. Denny
nemukadzi wake
havandizorodze hanzvadzi.
Zuro ndizuro Denny
akandisundira panze achiti
ndisapinde mubedroom
make. Kutaurisa kudaro
kuziva kuti ndiye akavakisa
musha uno asi musha
ndewangu."

"Musha ndewako hakuna


anokutorera asi mukadzi
wemuzukuru wamusiyepi?"
Vakadaro sekuru zvikanzi,
"asara kwaMakuvaza uko."

"What?" Ndakabvunza
ndichishamisika nekuziva
kuti kwaMakuvaza kwaive
kure nekumba apa ainge ari
pai. "Asara nani?"
Ndakabvunza zvikanzi,
"ndogoziva here?"

"Handiti ndiwe waenda


naye?" Vakati joiner baba
vachidaro zvikanzi,
"chimbomirai nditaure."
Pavakadaro ndakavapa
mukana wacho wekutaura
zvikanzi, "ini ndamumutsa
makuseni ndichiti tiende
kwaMakuvaza kunotaimira
munhu wandakabatisa
mucheka yangu aibva Harare
saka akanditi ari kupfuura
nekwaMakuvaza makuseni
seni saka ndamukira.
Tasvika kwaMakuvaza
zvakanaka munhu uya
atopfuura kare sezvo anga
achimhanya mhanya
ndikatomufonera
ndakatsamwa ndichiti
andimutsirei zvake kana
achiziva kuti ari kupfuura
ndipo paandiudza kuti asiyira
mucheka mbuya vake vane
grocery store ndokubva
tanotora ikoko asi pakuzobva
mushop imomo ndaona
Mamoyo asisipo
ndokusiyazve mucheka uya
mustoro ndichiti nditsvage
mwana ndingamuwana?
Ndambeya ndikambeya
kusvika ave masikati
ndokudzokera kushop kuya
musikana anga ariko akati
ndimbonomutarisa kuhall
kwanga kwakaungana vanhu
ini ndokunanga kuhall.
Panga pane munhu kwete
zvekutambisirwa zveimi
zvekuti ndamutsvaga kusvika
ndamira hoo kusvika vanga
vachiita zveprogramm dzavo
vabvunza kuti ndarasei
ndokuti ndiri kutsvaga
mwana wangu akadai akadai
nekuti zvanga zvisingaite
kuudza vanhu kuti kasvava
kakadaro kangava muroora
wangu. Vanhu vaya
ngavatange kuti nanga
nanga neni vachiti ndakarega
kubatsira mwana nekukasika
ini ndokutoshaya kuti
kumubatsira nei
ndikatovabvunza kwakubva
vanditambidza form. Firi
ndisvite bepa riri muchibheke
changu," vakambozorora
kutaura Firi achitora bepa
randakarambidzwa
ndikasaverenga ndichiti,
"bepa iri ndiro Mamoyo
here?"

"Zvadaro ndabvunza kuti


zvinorevei vakandituka
vachiti ndakarega mwana
achimitiswa nemurume
wemunhu ane AIDS.
Ndavhundutswa nazvo
ndikazviramba asi havana
kuda kuzvibvuma vatondiona
sendinonyepa Mamoyo
wacho akadaniwa asi haana
chaataura achingopfikudza
chete kusvika vamusiya
ndinaye vachiti
ndimunyaradze. Vaenda
ndokuzomubvunza kuti sei
anyepa kudaro ndokuti anga
achingoda mari chete ndikati
heya ko pabepa vazonyora
kuti une chirwere zvafamba
sei nekuti vari kunyora
vatanga vatester munhu
kuitira matsotsi anoda mari
dzemahara? Ndamubvunza
atangidza kuchema akati
akazvarwa nacho ndikati
unonyepa nekuti baba vake
havana chirwere nekuti paya
vakavhenekewa ndiripo
paidonater vanhu ropa.
Kwakuti ehe baba vake
havana asi akachiwana kuna
mai vake nekuti vakatanga
kuhura varambwa naRabbi
iye kwakuzobatawo AIDS
pakuzvarwa nekumwa
mukaka wavo. Ndatoti
anonyepa akati akazvarwa
nayo nekuti Denny ndiye ega
murume waanoziva plus
Denny anomupupurira kuti
ndiye akatanga kumuvhura.
Handina kumupikisa ndikati
saka kushambadza chirwere
ndiko kudii zvikanzi ndanga
ndichida kungopihwa mari
yekuti nditenge chikafu
chandakanzi ndidye chine
hutano huye zvakawanda
zvinodiwa kuitira kuti means
asabatire chirwere. Paadaro
ndati ko mwana wangu
wawakapa chirwereke
zvikanzi Denny ndiye
akazvimanikidzira kurara
naye asati amuudza
chokwadi kuti hutano hwake
hwakamira sei saka sezvo
anga atorara naye
nekubviswa humhandara
panga pasina reverse deal
ndokuchingonyarara huye iye
nekutya kurambwa nemunhu
aive amubvisa humhandara
akabva ati inofa yakaloader."

Vakamira kutaura
vachipukuta misodzi mai
ndokuzopfuurira mberi
vachiti, "ndarwadziwa zvekuti
ndangosimuka ndichimusiya
ipapo ndokuuya kuno
netsoka kutokanganwa
mucheka yangu." Vapedza
kutaura ndipo pandakatanga
kuverenga form riya
ndokutoona zvima signature
zvaNyasha. Ndakatadza
kuziva zvekuita ndokungobva
pavari ndichienda kumota
ndikaimutsa zvandisina
kunzwisisa zvekuti
ndakazongonzwa yave
mhere kumasure mai vachiti,
"batai Denny," asi ndiyani
aitevera munhu ane mota.
Nenguva isipo ndaive
ndasvika kwaMakuvaza
ndichitsvaga Nyasha.
Handina corner yandisina
kutarisa apa kushata kwazvo
kamunhu kacho kanga
kasina phone zvekuti
kukatsvaga kwaive
kwakaoma kudarika
kutsvaga mombe isina bhera.
Ndaona kuti ndakutsvaga uta
mugate ndakadzokera
kumba nehope yekuti
anenge aveko asi anga
asiko. Kwakasvika
pakuyedza asipo
ndokuendazve
kwaMakuvaza
kunomutsvaga
ndikazongowana kajacket
kake kaive padombo.
Ndakadzokera kumba zuva
rikadoka zvakare Mamoyo
asipo ava Mai Denny BP
yakwira zvechokwadi.
Kushata kwazvo Rabbi
akabva asvika pamba avigira
mwanasikana wake
assignment

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/J
O7If2GkPI4EFvHtiHODER

Mamoyo
Written By Rue M
0788357900

Chapter 9

Nyasha
"Ndaida kuti aite Fata,"
vakadaro Mai Denny vaona
mwanakomana wavo amira
padoor. "Maida kuti ndiite
Fata?" Denny akakanuka
akavatarisa ndokubva
vagutsirira musoro. "Zvekuita
Fata zvinoita zvekuudzirwa
here nhai veduwe and haasi
Mamoyo akanditadzisa kuita
Fata nekuti neniwo ndanga
ndisingatozive kuti maida kuti
ndiite Fata."

"Hezvo nhai mwana


waJames! Ndamboti
Mamoyo ndiye akakutadzisa
here kana kuti ndanga
ndichimupindura paabvunza
kuti sei ndanga ndisingade
kuti uroore ndikati ndaida uite
Fata pandakanganisa
ndepapi?" Vaitaura vachirasa
rasa maoko zvikanzi, "it's
okay morara zvakanaka
mhai?" Akadaro Denny
nekuda kuti vabude
ndokubva ati Mamoyo
ukasire kumuka pane
kwandinoda kuenda newe."
Vakadaro vachibuda ndikada
kuvabvunza kuti kupi asi
vanga vatoenda. NaDenny
hatina zvizhinji zvatakataura
sevanhu vaive vakaneta.
The following morning
ndakamutswa kuma3am BP
yavo yatokwira vachiti
vakanditi ndikasire kumuka.
"Tiri kuda kuendepi?"
Ndakadavira ndichiri mujira
zvikanzi, "hande unoona
taveko."

"Mamoyo chingoenda kuitira


kuavoider noise kani,"
akadaro ari kuhope Denny
ndikamuka ndichimutema
nepillow. Ndiye
wandaitotemba naye kuti
achabvunza mai vake kuti
vanoendepi neni that time.
Ndakapfeka zvinodziya
ndikabuda panze ndisina
kana mufaro. "Mamuka sei?"
Ndakavamutsira zvemutemo
chete zvikanzi, "ndamuka."
Vakadavira vachifamba ini
ndokutevera musure mavo.

"Mai Tara akahotumirwa mari


here?" Vakandibvunza
tichangobva pamba ndikati,
"vaiti havasati ava handizivi
kana yakazouya,"
ndakapindura ndichikwiza
maoko angu kuti ndidziirwe
ndikaona shasha yakuburitsa
magloves muhandbag
ichindipa ndikatoshaya kuti
kutsvene here asi
ndakangotambira
ndichivatenda semunhu
ainzwa chando. "Munonetsa
kuti mukawana mari
vanaMamoyo motofunga
majigi kukanganwa kuti
munoda kupfeka izvezvi uri
kubvunda seunorwara
nekushaya chekupfeka ukati
preparation wakatombotenga
iwe?"
"Preparation yani?"
Ndakabvunza ndichipfeka
magloves zvikanzi, "saka
unoti ndoreva yaIshe here?
Yemwana iyeye
wawakatauraka?"

"Ahh mama tichazotenga


kana nhumbu yatikurei,"
ndakadaro zvikanzi,
"Mamoyo iwe uchiri mwana
zvemachokwadi. Unoti mari
inowanikwa mazuva ese
here pana Mai Tara
takanyara tikashaya
pekupinda munhu aenda
kulabour asina kana
chipenheti zvacho murume
wako ndiye akazondipa mari
munhu ave mulabour
ndikamhanya mhanya
ukatarisa nanhasi Tara achiri
kupfeka hembe dzakatengwa
naDenny uone mai kuchena
nekutenga maface powder
nechikafu mwana achifamba
akashama kungati chinhu
chichadyiwa nembwa
wakanganwa musi uya
akanhanzva kumagadziko
nembwa shure yese iri
panze," ndakaseka
ndarangarira musi wacho.
Pana Mai Tara vaisanyepa
zvavo Mai Denny nekuti
mwana aifamba akashama.

"Ko iyo nhumbu yaizosvika


nine months vanhu vasina
kutenga zvinhu sei?"
Ndakabvunza zvikanzi,
"vaiitaka izvozvi zvauri kuita
kuti ndichazotenga nhumbu
yakura plus iyewo Mai Tara
akanyepa mwedzi zvekuti
mazuva azvarwa mwana
baba vake
vakatombomuramba vachiti
haasi wavo asi newewo
chero ukatarisa Tara
unotoona kuti musoro banga
uya hausi wekwaMhanga."
Ko ndaizviziva kuti Mai
Denny kunyeya ndiko
kudepartment kwavo chaiko
worse pandaivadavira vaibva
vaita manyawi zvekuti aitiona
nguva idzodzo aifunga kuti
tinopindirana zvekuti hameni.
Vakanyeya varoora vavo
kusvika zuva rabuda
tichingofamba ndikademba
kuti dai vaive vati Denny
atiperekedze nemota.

"Kozoti uyu Mai Ishe haa


mukadzi uya ndakamutadza
ini," pavakataura zita raMai
Ishe ndakavatarisa kuface
chaiko nzeve dzakati
kwanga. "Unoziva kuti Denny
anga asingadye chikafu
chaiibika?"

"Achiti zvadii?" Ndakabvunza


nevoice rekuda kukwapa.
"Vana vemazuvano
munongomhanyiraka
marriage musina kurairwa
manje zviya zvinoda
uchidiwa kwete zvakaita Mai
Ishe zvekumanikidzira
Denny. Tavanzwira tsitsi
tikati chigarai vakazvikanyira
vega imba yavo. Aipakurira
Denny mundiro yaakabooka
oti huchapa waiguta kani.
Waitozonzwa Denny achiti
kana ndisina kubika
anozvikangira maputu haade
zvetsvinaka. Mai Ishe
waitomuyeuchidza kuti
kunogezewa uye murume
anodziisirwa mvura. Kana
Denny atoti anoda kugeza
waimuona achinotora sipo
yekusukisa ine matsito
ebhodho achimupa ini kana
ndozodziisira mwana wangu
mvura nekumupa sipo
dzinonhuhwirira konzi Mai
Denny vanodanana
nemwana wavo." Hana
yangu yakati rovei
pavakadaro nekuti
mupfungwa mangu ndaitoti
vanodanana nemwana wavo.
"Zvavanoita semunhu
anogeza geza ari smart wani
Mai Ishe?" Ndakabvunza
zvikanzi, "kwaniiko kahunhu
kevakadzi kekuda kuzoziva
mvura vasiiwa ava. Iko
ndakanzwa kuti akakwira
mota nemi, umuchenjerere
munhu uya anobata
mushonga wekuti unoswera
warambwa," ndakavatarisa
for a moment vadaro kuti
ndiMai Denny vangu
vandoziva here or what.
Munhu aiti Mai Ishe was
better than me.

"Hamuna kuzondiudzaka
chakavapesanisa naDenny,"
ndakatotora mukana iwoyo
kuti ndivabvunze nekuti
Denny wacho aingotsika
tsika nyaya yacho. Honestly
speaking zvaiitika
ndaisatozviziva nekuti kumba
yavanga vakavaka naDenny,
Mai Ishe aigara ikoko
dzimwe nguva Ishe
omboendako pavanhu
achitonzi muroora
wekaMhangu but then
wozonzwa kuti vakarambana
naDenny. Mai Denny
vakatura mafemo
ndokuzongoti, "chakafukidza
dzimba matenga Mamoyo
handina chandingakuudza
uchiri mwana iwe plus chero
ndikataura ndozonzwa
ndakubvunzwa naDenny."
Handina kuzoramba
ndichivabvunzurudza tasvika
pacho pataienda.

"Kana ndave kutaura iwe


unyarare wazvinzwa,"
ndakagutsirira musoro
ndichipinda navo muhall umo
maive makazara vanhu
though vanga vakanyarara.
Ndakawaridzirwa zambia
zvikanzi ndigare ivo vanouya.
Ndakasara ndikaona munhu
akuenda pavanhu vaive
vakagara pamadesk
nechekumberi vachinyoresa
nyoresa. Ndakambeyesa
maziso hall yese ndokuona
pakanyorwa zveHIV and
AIDS. "Handina AIDS kaini?"
Ndakadaro ndega
ndokuzoona rimwe poster
raive nezvenhumbu ndikati
pamwe ndizvo
zvandadanirwa.

"Nyasha!" Vakandidana Mai


Denny ndikaenda kumberi
kuya ndikavanzwa vakuti,
"ndiye mwana wangu uyu
akabatwa HIV and AIDS
mwedzi wapera pamwechete
nenhumbu murume wacho
ndokubva aramba nhumbu.
Tikamboda kuenda
kumapurisa munhu
kwakutiza achienda Joni
izvezvi kumba hakuna rugare
nababa..." Vakaenderera
mberi nekunyepa nezita
rangu zvekuti ndakashatirwa
kusvika pekupedzisira ndikati
munhu kufamba achindiudza
makuhwa ake
nekundisekerera izvo kwani
kuda kuwana mari neni.
Paive reprogram yekubatsira
vasikana vari below 18 vane
nhumbu dzisina
vanochengeta nevane AIDS
vave kusemewa nehama.
Vaibatsirwa nekupihwa mari
dzekutanga maproject.
Ndakatoitwa matest
enhumbu kwakutofiller
maform ndokunogara
nevamwe pasi.

"Muzukuru wangu haasi


kunzwa nzara here ndaona
vanhu vane mabanana
panze?" Vakadaro
vachisekerera nhema
nekuziva kuti ndaive
ndatsamwa. "Ndakaguta,"
ndakadaro ndokubva
ndarova serious zvikanzi,
"ukangoona mari iyi ikaita
tinenge tapindazve kupinda
chaiko kunze nemukati
tinenge tichadei? Iwewe
wozorega kuudza vanhu
kwedu uko nekuti
vanozofambisa guhwa risiro
vakuti une AIDS usina.
Wamboona chitsotsi
chandaita paya here
muroora?"
"Ndazviona mama,"
ndakapindura kuti zvindibve
asi zvaitondinetsa kuti Mai
Denny vakaiwanepi AIDS.
Handiti vanga vati ini ndine
AIDS asi pakuzoita matest
eHIV ndivo vakaita sezvo
vanhu vaiita matest vaive
kuseri akanyora ndokungoti
AIDS iripo asina kutarisa zita.
Zvinhu zvacho zvaive nelong
process kuti padiki padiki
padiki tadaniwa tichibvunzwa
zvinhu zvisina basa
ndokuzopihwa mari yacho
zuva radoka that too
yemuphone. Message
yemari payakangopinda
mukambudzi kavo
vakandiratidza ndokuti, "sara
wakandimirira pano
ndimbotsvaga chimota apo."
Ndakasara ndikamira
ndikagara ndikasimuka
ndikambonovatarisa paroad
but vanga vatorova pasi apa
kunze kwanga
kwatozvidokera ndifunge
distance yekudzokera kumba
yataive tafamba kusvika
makumbo asingachade.
Kunditangira kusvika kumba
yaitove disadvantage yangu
nekuti vainondikurungira
nhema ikoko. Pahall
pakasvika pakuvharwa
vanhu vese vaenda
ndakungoti toi toi semunhu
ane chaarasa apa nguva
dzichifamba.

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/C
Xt4r23IimP0eRkExgHHd0

Vanoda Mamoyo from 1


pindai umu.
Mamoyo

Written By Rue M
0788357900
Chapter 11

Nyasha

Ndakabva pahall paya nguva


dzapaive pakutyisa
ndokuenda kuroad kwaive
nevanhu vaitengesa.
Ndaingombeyesa maziso
ndakagara padombo ndichiti
pamwe mbuya iya ingadzoka
asi kwakaenda imbwa ndiko
kwakaenda tsuro. Misodzi
yakatanga kubuda
seichanyorovedza hembe
ndokuzongoona mota
yandakaziva kuti
ndeyekuraini kwedu.
Ndakaimisa nemaoko ese
ndichidaidzira kuti imire
ndokubva yauya paside
pangu. "Hey Nyasha,"
akadaro mukomana aive
mumota ndikati, "makadii
henyu?" Ndichitovhura door
remota zvikanzi, "huya ugare
kuno," ndakaenda kunogara
naye akamutsa mota.

"Iri sei marriage yako?"


Akabvunza akanditarisa
ndokubva ndangoti, "iri bho
no problem." Mumusoro
mangu ndaitozviudza kuti
inyaya yekuti ndakakwira
mota yekumba kwavo
otherwise ndaimuudza
zvinoenderana naye. Aitoda
zvekutaura neni whereas ini
ndichironga way yekupfidzisa
Mai Denny vaizviona
sevakapenga maningi.
Mukomana uya akazosiyana
neni afonerwa vakatora
nguva yakareba vari
paphone zvekuti
ndakatoshaya kuti munhu
wacho aifona nemari yake
kana kuti neland. Phone
yakazokatiwa tapinda
muraini medu ndikati, "maita
basa mukoma chindisiirai
pano." Ndakadaro nekuti
ndaisada kuti tizopinda
mukati kati vanhu vondiona
ndichiburuka. You know
chero kwanga kwasviba kune
vanhu vanoona zvekuti kana
nyaya yakubuda inoita
sezvimwe zvinhu.

"Regai ndinokusiya pamba


penyu Nyasha," akataura
achida kundibata ruoko
ndikarinzvengesa ndichiti,
"maita basa mukoma ini ndiri
kuburukira pano."
"Eeh nhai Nyasha ndonzi
James, chindipawo number
zvadzo," ndakaramba
ndakanyarara iye akatoona
kuti masamba asiyana
kwakuchiti, "mari yangu
yetransport."

"Ndouya nayo kumba


kwenyu mukuseni!"
Akavhura door ndadaro
ndokubva ndaburuka
mumota. Yatoenda ndipo
pandakazoona kuti jacket
rangu handisisina ndichiti
pamwe rasara mumota
ndokuzoyeuka kuti rasara
kwaMakuvaza sezvo ndaive
ndakarivharisa makumbo
kuitira mosquito
ndokuzomhanya ndichirisiya
ndaona mota. Anyway ranga
risina basa zvakanyanya
saka ndakapfuurira mberi
ndakananga kumba.

"Nyasha?" Vakaita
kakukanuka vakanditarisa
baba ndikati, "maswera sei?"
Baba vasati vadavira mama
vakati, "kwakanaka here
kwawauya pano this time?"
Handina kupindura mama
ndichitarisa mudenga
zvekuvhara misodzi nekuti
ndaitonzwa zvichinditi
chema. Pasina andibvunza
chaive chaitika ndatanga
kutaura nyaya yangu.

"Ko wadii wangonanga


kumba kwenyu?"
Vakabvunza mama zvikanzi
nababa, "ndizvo zvaiita pano
ndipo pamba paNyasha."

"Handide kudzokera baba


kusvika ivo Mai Denny vauya
pano nekuti kumba
vachatosvika vachinyepa kuti
ndine chirwere," ndakataura
ndichipukuta misodzi yanga
yazara pamatama zvikanzi,
"chero vakanyepa
munongoenda kuchipatara
pane chinochemedza here?
Munoona nyaya dzenyu
dzekumhanyira dzimba muri
vana izvezvi mave kutinetsa
pasina kana mwedzi." I
chose to ignore her
ndokudya sadza randaive
ndapakurirwa naMunya.
Ndakapedza kudya mama
vachingovava chete, baba
vakazoti ndinozorora
kunhanga kwangu. Chero
ndaive nestress hope
hadzina kunonoka kubata
semunhu anga akaneta.

Kwakaedza baba vakaenda


kubasa mama vakauya
kwandiri vachindinyengerera
kuti ndiende kumba asi
ndakaramba sezvo ndaive
ndaronga kupfidzisa Mai
Denny uye baba vanga vati
ndisaendeko kana kuudza
anyone weikoko kuti ndiri
pamba kunyangwe mama
vaive vatoudzwa kuti
vakangotaura nezvangu
ndivo vainonogara kwana
Denny. Ndakamboda
kunzwira Denny tsitsi
ndokuzozvidzora ndafunga
kuti chero Mwari vanoranga
vana nemhosva
dzemadzinza saka iye
aifirawo yekuzvarwa
nemunhu ane moyo
wakasindimara.

"Ndinotaurei zvangu ini pano


pamusha tototerera imi mai
wemusha," vakadaro
vachibuda mama ndikangoti
hameno ikoko
nechemumoyo. Zuva
rakavira akava manheru
kukaedza izvo zvakazoitisa
baba hasha kuti sei vanhu
vekwaMhangu vasiri kuuya
kuzotaura kuti havasi
kundiona. Zuva rimwe repiri
parakadoka vakaendako
vachinondibvunza vakadzoka
vachiti, "Denny ati waenda
naMai Tara kunomirira
zvinhu zvatumirwa
nemurume wavo."
Kunyepera kwaaive aita
baba ndakashaya kuti kwaive
kwekutya kuvaudza kuti mai
vake vakandi dumper or
what? Baba vakati havana
kuda kumupikisa
vakangosiya vamuudza kuti
kana ndazodzoka ndouya
ndovaona.

Takarara zvedu zvakanaka


chero vangu mai vaibundirwa
pahuro pavo. The following
morning ndakamukira
kuchikoro nababa vachida
kuti nditore mapaper aive
vakanganwa the previous
day. Ndakangoti ndichipihwa
nekutobva pachikoro i guess
you know why. Ndichibva
pachikoro ndakabva
ndadhumhana naJames
achisiya hanzvadzi dzake
pagate ndikaita sendisina
kumuona chero ndaitoda
transport pakudzokera
kumba. Semunhu aive
nemota akazokasira
kundibata ndisina kure
kwandaenda.

"Muri kuenda here kumba


Mai Denny?" Akabvunza
akadzikisa window remota
ndikashama muromo
nekumunzwira ndichimuti,
"Mai Denny?" Ahh aida
kundifananidza naMai Denny
manje. "Eheka handiti uri
mukadzi waDenny."

"Ndonzi Mamoyo,"
ndakadaro ndichifamba
nekuti mweya wekupinda
mumota wake wanga
watondiregedza nekunditi
Mai Denny. "Ehoi VaMamoyo
kana muchienda pandai
ndonokusiyai zvangu
paMado mozongodzika mave
padhuze," paakadaro
ndakazongopindira mumota
make nekuti anga anditaudza
nerespect kwete musi uya
waaingonditi Nyasha this
Nyasha that. PaMado pacho
hatina kunonoka kusvika
sevanhu vaitaura nyaya
zvichiendeka. Aindibvunza
nezvaRudo wepanext pedu
uya ana mbuya vekupa
vamwene vangu mushonga.
Anga adyira panaRudo asi
kuti amusvikire ega
zvairema. Ndakaburuka
mumota ndichitoseka
ndokubva apfuurira mberi
nerwendo rwake ndichida
kuti ndifambe ndokuona
mota yaDenny pamberi
pangu. I sensed disaster
there and there ndokubva
ndangochiller. Akaburuka
mumota make achiuchira
achiti, "wow Nyasha, I'm sick
and worried about your
whereabouts but here you're
enjoying yourself with that
bastard."
Ndakaita sendisina
kumunzwa ndokuti, "matii?
Tangidzai zvamataura,"
ndakadaro ndakarova
keserious kemunhu aishaya
zvekuita.

"Chakakutadzisa kudzoka
kumba chii? Unofunga kuti
dai wakanditaurira kuti
wakazvarwa neAIDS
ndaitadza kukunzwisisa pane
kuenda uchinopemha
semunhu asina murume.
Fine let's say waitya
kundiudza chokwadi asi
hawaizotadza kusvika
kumbaka. As of now ndiri
kubva kupolice kuno report
kuti handisisina kukuona.
You don't know kuti
ndanyadziswa sei ikoko
nekuda kwako
ndichibvunzwa zvisina basa.
It's good that you're back at
least chienda kumba kwenyu
hama dzako dzaikutsvaga,
uite zvaunoda futi ikoko,"
apedza kudaro akabva
apinda mumota
ndokutoimutsa ini
ndokutsvaga dombo
rekugarira sezvo ndanga
ndapererwa nezvekuita uye
ndisisina simba rekufamba
kuenda kumba.
End of chapter...

https://chat.whatsapp.com/K
XKzX5QvZln0i0Er6DVeyz

*Rue M Novels*
Let's be one
200rtgs

We Are One
200rtgs

We'll never be one


150rtgs
Only You 1&2
200rtgs

Almost love 1&2


250rtgs

Back to you
150rtgs
Rumbidzai
150rtgs

Scared to be lonely
150rtgs

Complicated love
150rtgs
Power of love
150rtgs

Promises
150rtgs

Loved
200rtgs
Dilemma
200

Ensnared
Free

Ecocash_0788357900
R.Mbombi
After payment inbox
0788357900 with proof and
get your full PDF
https://chat.whatsapp.com/G
Lf0TsX56kNHMFYyk9I3oi

Mamoyo
Written By Rue M
0788357900

Chapter 12

Narrated
Nyasha akaramba
akatsikitsira padombo
mushure mekunge
azvimbirwa nemashoko
aDenny asi Denny wacho
haana kure kwaakasvika
sezvo aive akatarisa mukadzi
wake nepaview mirror.
Akadzoka nemota kusvika
panaNyasha kwakumuti,
"pinda mumota tinotaurira
kumba." Nyasha akaramba
akanyarara sezvo anga asina
kunzwa zvaive zvataurwa let
alone kuona kuti Denny
adzoka asi Denny akafunga
kuti Nyasha amu ignore
ndokutaura nehasha achiti,
"iwe Nyasha simuka ipapo!"
Nyasha ndipo
paakazovhundukaa
akasimudza musoro.
Achingoona Denny
akasimuka akatanga
kufamba Denny akafunga
kuti ari kudanana kupinda
mumota ndokuti, "saka
wanga uchida kushamisira
chii?" Nyasha haana
kupindura ndokupfuurira
pamota akupinda nekanzira
kanoguridzira kuenda kumba
kwaRabbi.
"Kakatsamweiko?" Akadaro
Denny aona kuti haasi
Nyasha wake waanoziva
akamboda kumutevera
ndokuona sekuti
akuzvidzikisira ndokugara
paakazoisa pride paside
akabuda mumota akatevera
munhu wake akabva
amushaya. Akapinda
mumota ndokuenda kumba
kwavo kunoudza vanhu kuti
Mamoyo amuwana izvo
zvakashamisa nekufadza
vamwe kunze kwaMai Denny
avo vanga vachangodzoka
kuchipatara. Mai Denny
vaitoziva kune muroora wavo
sezvo mainini vaNyasha
vaive vavatsvetera kuti
vasanetseke nekumutsvaga
vanaye. Dzimwe nhema
dzaive dzataurwa naMai
Denny vaive vabetserwa
kuruka namainini vaNyasha
nekuti vaviri vanga
vasangana pamota dzekubva
kwaMakuvaza. Chavaida
mainini vaNyasha hapana
aiziva nekuti agare
kumurume vaisada ivo
kugara naye pamba pavo.

Nyasha akasvika kumba


akangozvivharira munhanga
make akamirira kudzoka
kwababa vake kuti avaudze
zvaive zvaitika nekuoneswa
zvekuita. Denny
akangozviudza kuti aizoenda
kumba kwaRabbi manheru
kunomuudza zvaive zvaita
mwana wake. Kuchingosviba
Denny haana kumirira baba
vake kuenda kwaRabbi
nekuti vaingoita zvechinono
akati anoenda ega iko
zvagara Denny nababa vake
vanga
vasinganyatsopindirana asi
vanhu vaisazviona sepamba
paigara vanhu vakawanda.
Vaigona kutopedza mwedzi
pasina ataura neumwe
nekuda kwezvigumbu
zvavaive vakachengeterana
asi pavanhu vaiita sekuti
vanowirirana sezvo baba
Denny vaitomira nemwana
wavo iyewo Denny achimira
nababa vake.

Semukwasha ane tsika


akasvika nekuuchira
akachonjomara pamusuwo
wemba yekubikira Rabbi
akangonyumwa kuti
mukwasha wake ndokutuma
Munya kuti amuchingure
ndokupinda vese mumba.
Hana yaDenny yakatanga
kurova aona mukadzi wake
asimo mumba nekuti anga
akutofunga kuti kune kumwe
kwaaenda asi haana kuziva
kuti Nyasha aive
azvizororera mumba yake
yekurara. Denny akatanga
kutsanangura nyaya yake
kuna tezvara kubva paive
pakauya mai vake
kuzomutsa Nyasha kusvika
pakuonana naNyasha
masikati ezuva iroro izvo
zvakaita kuti Rabbi ashaye
zvekuita nehasha.

"Mwana wangu ave nevirus


nhasi?" Vakataura
vachisimuka Denny akatoona
kuti paipa ndokusimukawo
achiti, "baba ndanga ndauya
kuzokutora mukadzi wangu,"
akataura achidzokera
kumasure akabatanidza
maoko ake semunhu
aikumbira. "Nyasha
achadzokera kumba kwenyu
kana mai vako vauya pano
kuzomukumbira nekuti ndivo
vakaita kuti asadzoke
kumba." Akadaro Rabbi ari
serious zvikanzi naDenny,
"ndazvinzwa baba asi
ndokumbirawo kungomuona
ndoenda handiti?"
Vakabvunza vachiswedera
kwaaive akati,
"ndokumbirawo baba." Iyewo
Nyasha nemawara
paakanzwa kuti kukitchen
kunenge kune nyaya akabva
akabva amuka akabuda
mumba zvakaita kuti aone
Denny achiburitswa mumba
yekubikira. Nekutya baba
vake vaive vakamutarisa
akadzokera mumba yake
yekurara asina kana kutaura
naDenny chero zvazvo moyo
waive worwadza.

Kunyararirwa naNyasha
kwakapa Denny hasha
akanonokerwa nekusvika
kumba kwavo kuti
anotangidza kutaura namai
vake nekuti reaction yaRabbi
yaive yamuratidza kuti
zvakaudzwa Rabbi
naNyasha nezvaaive audzwa
namai vake zvanga
zvakasiyana. Akasvika mai
vake vachangoenda
kunorara ndokuita
sezvavanoita zvekupinda
mubedroom make vasina
kunoka iye ndokubva aita
munyama wekupinda vasati
vapedza kupfeka akadzokera
panze nekukasika. "What's
wrong with you Denny?"
Akazvibvunza ave panze
pakashaya anomupindura.

"Kwakanaka kumira ipapo


husiku huno?" Vakabvunza
baba vake akaramba
akanyarara seaive asina
kuvanzwa ndokubva
vamusiyawo akadaro
ndokupinda mumba. "Mhai
kana mapedza kupedza
huyai pano," akadaro Denny
akamira padoor zvikanzi
nababa vacho, "iwe siya mai
vako vazorore." Haana
zvaakataura ndokuti, "mhai!"
Havana kumudavira
ndokubva azembera door
akatarisa nguva paphone
pake achiti after two minutes
ari kupinda mubedroom
imomo nekuti vanenge
vapedzawo kupfeka asi
akazonzwa mutsindo wamai
vake uchifamba kuuya
kudoor akafunga kuti vakuda
kubuda panze ndokuzonzwa
door rakakiiwa ndokuita
zvemusimba akarivhura
achipinda mukati akasvika
baba vake vave kuwaridza
pasi sezvo paripo pavairara.
Pabed vaingorara kana Mai
Denny vanorara nevazukuru
vavo.

"Mamoyo makamusiirei
kwaMakuvaza?" Akabvunza
achivabata mapendekete ese
zvine simba izvo zvavaive
vasina kutarisira
zvakashamisa chero baba
vake vakasiya jira ravaive
vakabata vachienda pana
Denny vachiti, "unoziva here
kuti ava ndimai vako?"
Akapindura baba vake
neziso chete ndokuita
kakuzungunutsa mai vake
achiti, "munoziva here kuti
ngozi inoripika?" Vakashaya
kuti airevei ndokubva ati,
"nhasi ndinoipara ngozi
yacho kana musingade
kutaura chokwadi."
Vakatanga kudedera Mai
Denny nekuyerera misodzi
yechokwadi kwete yegarwe
yavaimboyeredza. Zvanga
zvavarovesa nehana
zvavaive vakuitwa nedangwe
ravo nekuti hakuna mai
vaitarisira kudarwo nemwana
wekubereka. Vakatarisa
maziso aDenny aive
akatsvuka neshungu
achitofemereka nehasha
ndokubva vatoona kuti
kutaura chokwadi kuri nani
pane kurohwa nemwana.

"Mainini vake ndivo


vakandifurira Denny,"
vakatanga kutaura
vachinakurira mainini
vaNyasha nyoka mhenyu asi
chokwadi vakangochiburitsa.
Chokwadi chakaita kuti
Denny azvituke
nekusachengetedza mukadzi
wake akada kuenda
kwaRabbi kunokumbira
ruregerero asi nguva dzanga
dzaenda akazoti anoenda
zuva rinotevera.
Ramangwana racho
rakasvika Mai Denny
vakamukira pamushana
vachiterera zuva rekufunga
zvaive zvaitika zuva raive
rapfuura. Zvavaive vaitwa
naDenny zvakaita kuti
vawedzere kuvenga Nyasha
nekuti vanga vakutomuona
seari kuda kuvapesanisa
naDenny saka vakapika kuti
gore raisapera Mamoyo ari
pamba pavo. Tsoro yavo
yekutanga yakava yekuenda
kwaRabbi naDenny
kunokumbira Mamoyo
ruregerero nekudzoka naye.
Vakatomukumbira zvakare
adzoka pamba pamwechete
naDenny kuri kuda kuti
vanhu vafunge kuti vachinja
vane chinangwa chekuda
kuzobvisa Mamoyo pamba
akavarairwa asi havana
kuziva kuti vaive vanyangira
yaona nekuti Mamoyo aive
avanzwa vachitaura paphone
nemumvana wavo aive
Harare.

Mamoyo nekunakirwa
nekuterera nyaya dzisiri
dzake akazoti ave manheru
achibva kunobvisa hovhorosi
yaDenny pawaya akanzwa
vatezvara vake vachinetsana
naMai Denny vari mumba
yavo ndokuisa nzeve
pamadziro akanzwa
vatezvara vachiti, "hapana
chauri kuzama Mai Denny
nekuti ikozvino Denny
haachatovimbe newe
sezvaaisita."

"Hino ndoita sei?" Vakadaro


nevoice raive
nekushungurudzika zvikanzi,
"usandibvunze izvozvo sezvo
uchinyatsoziva kuti Denny
akanzi asaroore."

"Baba Denny mukadaro


mave kundiomesera dai muri
umwe manotaura nambuya
tovapa Ishe," vakadaro Mai
Denny ndikashaya kuti
ndimbuya vepi ivavo. "Hoo
nhai vopihwa Ishe nekuti
haasi mwana wako?"
Vakadaro voice rati kwirei
zvikanzi, "taurirai pasi baba
Denny madziro ane nzeve."
Vairevesa Mai Denny nekuti
nzeve dzangu dzaitove
pamadziro.

"Kutaurira pasi kwei iwe


usina zvauri kuita samai
vake!" Vakadaro baba
zvikanzi, "hezvo zvino
ndorara naye Denny kuti
asagare nemukadzi here?"

"Ita zvinoita kuti asagare


nemukadzi nekuti ndeneta
nekunetswa nembuya iya..."

End of chapter
https://chat.whatsapp.com/Ll
H396XlWs3LXnwCuA3cXj
Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 13
Unedited

Nyasha

Ndakazobva paberevere
ndadanwa naDenny. "Wanga
uchitora hovhorosi chete
kana kuti kune kumwe
kwawanga waenda?"
Akabvunza Denny
achindibata muwaist ndikati,
"ndanga ndakamira
pamadziro," ndakapindura
ndakamutarisa akaseka
achiti, "madziro ani?"
Ndakabviswa maoko ake
pawaist pangu ndikamuti,
"ebedroom yamai vako."

"Wanzwei?" Akabvunza
achindidhonzera paari.
Aitoda zvekutamba neni
asingaone kuti ndiri serious
ndikati,"handina
kumbozvinzwisisa ini but
vanga vachinetsana
vachiti..." Ndakabva
ndatanga kutsanangurira
Denny zvese zvandaive
ndavanzwa vachitaura
ndapedza akati, "let this stay
between us right."
"Ko mbuya vacho
vanozonetsera kugara newe
kuti uchiri mwana mudiki
here? Ndotoona sekuti
zvanga zvichitaura mama
zvekuti Ishe atorwe nambuya
vacho zviri nani handi achiri
mudiki?" I suggested that
zvikanzi naDenny,
"haungambozvinzwisise
Mamoyo." He was right
nekuti ndaitotadza
kuzvinzwisisa zvekuti Denny
aidiwa nambuya vake
zvaimutadzisa sei kugara
nemukadzi. Nyaya dzacho
dzaive confusing zvekuti
ndakasvika pakubatwa
nehope ndichizama
kubatanidza zvairehwa
nemurume nemukadzi.
Ndakapatika pakati pehusiku
nzara yandibata.
Ndakamboda
kumboshingirira semunhu
aive ambodya kusvika Denny
anditi, "Mamoyo chii chiri
kunetsa?" Ndakamboita
kakuvhunduka paakabvunza
nekuti ndaifunga kuti
akakotsira.

"Ndine nzara ini," ndakataura


nekavoice kaiyemerera
zvikanzi, "Mamoyo veduwe
chingoshinga kuedze ahh,"
akadaro achizvivhara musoro
wake ndikati, "saka wanga
wandivhunzirei?" Ndakadaro
ndichimufugura
akawaranyura machira
nehasha. Denny aikoshesa
kurara zvekuti aisa
kukanganiswa asika apa
ndiye aive atanga
kundibvunza.

"Ndichakurova iwe!"
Akataura achiburuka pabed
ndokunditi, "hande
kukitchen." Ndakamuka
ndikapfeka ndakanyarara
zvikanzi, "uudze kamwana
kako kuti zvekumutswa
handide!" Aipopota tichienda
kukitchen Denny ndikamuti,
"kamwana kangu ndega
here?"

"Ndiwe uri kukayemedza


unoti dai kari mudumbu
mangu kaiita mawara,"
ndakaseka adaro tichipinda
mukitchen. Akatanga
kubatanidza huni sezvo
marasha anga agara aripo
you know moto yekumusha
haidzime. Hauna kunonoka
kubvira akaisa kapoto
kesadza. Ndiye aive akutoita
zvekubika sezvo aiti ndiri
slow. Sadza paraive
rakukwata akashaya
kamugoti kaienderana
nepoto diki ndokunotarisa
pachitara chekusukira panze
sezvo vaive Mai Firi vaive
vasuka manheru acho.
Vaitove neweakness
yekusapinza ndiro mumba
vapedza kusuka and no
matter how many times
pavaitsiurwa navamwene
nenyaya iyoyo
vaisambonzwa.

"Gonzo!" Ndakascreamer
ndaona gonzo mukitchen
apa richida kutonyeura
chigunwe changu. Iro gonzo
racho kuzoita stubborn kana
kumbonditiza ini nekuritya
ndokubva ndabvisa poto
yaive pamoto ndokuridira
maporridge aikwata
ndikapindirwa naDenny
ndichidaro. "Wakakwana
chaizvo iwe?" Akabvunza
achitora poto ndikati, "gonzo
Denny!" Ndakataura
ndichirinongedzera
paraidzedzereka richibuda
mukitchen. "Gonzo rinouraya
here?" Handina kumupindura
paakadaro ndokubva atanga
kumona sadza achiti,
"ukasaguta zvave zvako ini
handichazvipindire."
Ndakaramba ndakanyarara
ndichiterera hana yangu
yairova fast nekuda
kwegonzo. Denny apedza
kubika akandipakurira sadza
nemukaka ndokuti
ndonodyira kubedroom
ndokubva tabuda mukitchen.

"Pane chandatsika kani


Denny!" Ndakadaro ndichiita
kakujamba akatocha pasi
ndokuona igonzo riya.
Kuritsika kwandaive ndariita
kwakaita kuti risvuuke
ndikadzoka ndorinzwira tsitsi
futi. "Chingotora dombo iro
uri pedzise zvako," akadaro
Denny achinongedzera
dombo asi gonzo racho
rakaita seranyumwa
ndokutiza nehupenyu hwaro
isuwo ndokuzopinda
mubedroom. Ndakadya
chidhinha chaive chabikwa
naDenny ndikakasira
kuzvimbirwa. Ndaiti
zvandadya ndochirara
madzikirira akati, "Mamoyo
hauna kungwara." Akaita
kunditsikirira zvekuti dai
pasina kuti ndaive naDenny
paside akandizungunutsa
ndikamuka ndaigona kutofira
kuhope.
"Chii Mamoyo?" Akabvunza
Denny achipukuta ziya
randaibuda. "Ndarota
ndichirohwa nemakonzo." It
sounded weird but ndizvoka
zvacho zvandaive ndarota
kusvika pakubatwa
nemadzikirira. "Ndiwe uri
kufunga gonzo riya. Tora
maearphone ayo uone movie
one zvegonzo zvimbobuda
mumusoro." Akadaro
achinditambidza phone yake
ndokutanga kuona movie
kusvike ripere around 3am
ndokubva ndachirara asi
kungovhara maziso
ndaingoona makonzo
kusvika ndatora phone
yaDenny ndikaona rimwe
movie till 5am
zvakatoshamisa Denny
paakamuka kuti
ndichakasvinura.
"Wazototadza kurara?"
Ndakagutsirira musoro
ndichibva pabed ndakutoda
kunotsvaira pachivanze apo
pandakawana Mai Denny
vakutoworera marara
vapedza kutsvaira. "Mamuka
sei?" Ndakavakwazisa
ndichienda kukitchen
zvikanzi, "ndamuka
zvakanaka marara henyu
zvakanaka VaMamoyo,"
vakadaro Mai Denny
zvikatondishamisa for a
moment ndokuzorangarira
kuti vanga vari pamission
yavo. Kamubvunzo kavo
kekuti ndarara zvakanaka
kakandityora zvekuti dai
vairoya ndaigona kufunga
kuti ndivo vaitumira makonzo
kuhope. Mai Firi vakabva
vamukawo ndikanzwa
zvakunetsana nenyaya
yemandiro.

"Ndizvo zvinonetsa kupihwa


varoora chembere. Mai Firi
une mukonyo hameno kuti
zvawakaona uri mukuru kuna
Donny wakufunga kuti
wakaenzana neni woita
zvaunoda pano pamba.
Mamoyo mwana zvake asi
anoterera wakambondiona
ndichimuudza zvinhu kaviri?"
Vakadaro Mai Denny
nechemumoyo ndikati,
"ndakazviona mhani kuti Mai
Firi vahombe kuna
bamunini."

"Zvekukura kwangu zvine


basa?" Vakadavira Mai Firi
zvikanzi, "ndizvo zvinokupa
mukonyo izvezvi baba Firi
anotonyara kugara newe
kutown nekuda kwekuti
wachembera."

"Akadii kundinyara
paaindipfimba ipapo?"
Vakabvunza voice rati kwirei
zvikanzi, "hurii seka zvako
mwana wemuyera shumba."
Vakaseka vachirovanisa
maoko avo Mai Firi vakati,
"chinosekesa chii?"
"Kuti Donny akakupfimba,
wakanganwa kuti waisabva
pano zvemabhanzi zvako
uchimunyengerera kuti
atenge kuita
seuchamubvisira hembe,"
vaitaura zvekusvotesa Mai
Firi avo vakazoti, "ini handizi
Mamoyo anokutyai
ndokukwapaidzai. Maita
rombo rakanaka kuti nhasi
isvondo ndiri kuda kuenda
kuchurch handide
zvekubviswa pana Mwari."
Vadaro vakabva vatora
bucket ravo vakananga
kumogodhi. Pamba pana
Denny paive pakanakira kuti
mvura yaivepo tanga tisina
pressure yekuenda kutsime
kana chibhorani. Mugodhi
iwowo ndaive
ndakambomutukirwa naMai
Denny zvichinzi ndiwo
wandakachiva ndikada
Denny. Tell me honestly
ndiyani agadira mukomana
nekuda kwekuti pamba pavo
pane mugodhi? However
pamba pana Denny panga
pakanaka muvillage mose
nekuda kwaDenny aive
aparenovater.Paive
pakanaka zvekuti vegodo
vaitoti vakaromba chete
worse nemombe dzavo
dzaive dzakawanda kuzoti
gohwo taisataura.

Sezvineiwo tese
takagadzirira kuenda
kuchurch kunze kwababa
vainzi havasi kunzwa
zvakanaka. It was my first
time kuenda kuchurch ndiri
kumba kwana Denny so
sekuziva kwenyu pakaita
controversy panyaya yefront
seat pakati pangu naMai
Denny.

"Ini handingambogare
kumasure uniform yangu
inoita dust," vakadaro Mai
Denny vachizunza zunza
skirt yavo yaive
yakazvichenera. Yanga
isitorina basa chero ikaenda
dust nekuti hapana airiona
you know mauniform eRoma
zvaari.

"One achagara pakuenda


umwe pakudzoka," akadaro
Denny achipinda mumota
ndokubva ndanogara
nevamwe kumasure.
"Mamoyo unoijaidza mbuya
iyi," ndiMai Tara. Mai Denny
vakaseka zviya
zvekutiratidza kuti hapana
zvataivaita. Takatosvika
nguva dzichiripo ndikaita
setyoka mabvi nekutyora
muzura kuvanhu
vandairatidzwa zvichinzi uyu
ndinhingi nhingi uyu mukadzi
waDenny Mamoyo.
Takazopinda muchurch
tikaita service ichingopera
Denny akanditora ndokubva
taenda kumba. Aiti anoda
kumbobuda neni saka
ndakatononokerwa
nekusvika kumba
ndichichinja sezvo kumafaro
kwataienda kwaisaita
neformal yekuchurch.

Pakusvika takabva
tasanganidzana nababa
vachibva kutoilet vakasvuuka
face yese nemaoko
nemakumbo zvinoita munhu
atsva nemvura. Denny
akatora nguva akavatarisa
ndokuti, "matsva nei?"

Havana kumupindura
ndokubva abvunza zvakare
kuti, "maita sei?"

"Ndakatsva madeko,"
pavakadaro takangosiyana
navo though tese taiziva kuti
vanga vasina kutsva
manheru. Takapinda
mukitchen ndokuona muri
zvatamusiya muri Moto usina
kubatidzwa. "Vatsva nei nhai
Denny?" Ndakabvu Denny
uyo aipinda mukitchen akati,
"handi ndiwe wakavapisa
nemaporridge."

End of chapter
Mamoyo
Written By Rue M
0788357900

Chapter 14

Unedited
Nyasha

Ndakadonhedza cup yaMai


Denny ndanzwa akuti ndini
ndakapisa baba vake. "Baba
vako igonzo here?"
Ndakabvunza ndichinhonga
cup yaive yapaduka paside.
"Vachakunzwa uchidaro,"
akadaro achitarisa tarisa
panze ndokubva ndamuti,
"kasi vanoroya?" Haana
kuda kundipindura
ndokubuda mukitchen
achienda kubedroom.
Pandakaona vatezvara
vachiuya kukitchen
ndakasiya zvandaiita
ndokubva ndatevera Denny
faster faster uyo aive
akubvisa hembe
dzekuchurch. Ndakapfeka
tikabuda tese takananga
kwaNyika uko kwaive
nebirthday remukadzi
weshamwari yaDenny.
Vanhu vaifara zvavo asi ini
pfungwa dzaipota
dzichidzoka kumba ndototi,
"saka baba Denny
vanoroya? Iye Denny wacho
anotozviziva?"
"Denny akatozviona kuti
mufaro wangu mushoma
akakasira kuoneka.
Tichingopinda mumota
ndakabva ndati, "saka
waizviziva kuti baba vako
vanoroya?" Akaseka
ndokubva anditarisa akati,
"zvekuti vanoroya ndiri
kutozvinzwa newe and
zvekutsva kwavo zviri
pachena kuti vaive
vashanduka kuita gonzo. Dai
vakatsva manheru sekutaura
kwavo havaimbomuka
vakasvuuka muviri kudaro
you know munhu atsva
anotomboita maduzu
maduzu then ozosvuuka but
gonzo riya rakasvuuka
pawakaritsika. Only the
heavens knows why vakaita
gonzo zvekuti vanoroya
handizvizive."
"Vanoroya chete unoziva
pataigara kuHarare Grace
akambotema kiti manheru
mbuya vepanext vakatomuka
vachimubvunza kuti
akavatema vakamutadzirei
iye kutoramba kuti haana
kuvatema manheru
akangotema kiti. Vakuru
ndipo pavakatozotiudza kuti
ndivo vaive kiti. Mbuya ivavo
vairoya zvekuti hameni and
vanhu vanoroya
vanoshandisa mhuka you
know?" Ndakadaro kuna
Denny zvikanzi, "kutown
kutori nevaroyi?"

"Hauna chaunoziva iwe


Denny hakuna nzvimbo isina
varoyi but handina
kumbofunga kuti ndingagara
nemuroyi," Denny haana
kundipindura aisa
concentration paview mirror.
Akamisa mota ndokubva
ndacheuka ndikaona
musikana aimhanyira mota
achindidana. "Unomuziva
here?" Akabvunza Denny
achienda paside peroad
ndikati, "umm handina
wandoziva kuno."
Paakazosvika padhuze ndipo
pandakazoona ari Grace
ndikavhura door remota
ndokubuda
ndichimumhanyira. Anga ari
mwana wamai vangu
mukuru. Pakashaika mama
anga ane 19 years ari
kutraining yechipurisa
tikapedzisira kuonana
panhamo. Iye paakapedza
kunyora o level akabva
pamba nekuti anga
asingawirirane namama
nekuda kwemabasa avo
saka aive akuwandira
kuhama dzababa vake.

"Nhaiwe uri kuitei kuno?"


Ndakamubvunza zvikanzi,
"ndokwandakushanda."
Akapindura achifemereka
ndikati, "wakazowana basa?"
Akagutsirira musoro
ndokunditi, "ko uri kudei
mumota yababa vese ava?"
It was clear to me kuti nyaya
yekuroorwa kwangu anga
asina kuinzwa saka
ndakabva ndamuti,
"ndakaroorwa." Akatarisa
Denny akaratidza kukanuka
though asina kuzotaura kuti
murume uyu akakura.
Akachinja nyaya achiti
ndakaona baba vako nezuro
ndikatotaura navo ndichiti
ndiri kuda kuzokuona
vakatondipa number dzavo
dzephone though vasina
kumbotaura zvekuti
wakaroorwa." Ndisati
ndamupindura Denny akabva
atanga kutaura namaiguru
vake achiti tiende navo
kumba. Tanga tave netime
yes tisina kuonana naGrace
asi kuenda naye kumba
ndakaona iri bad idea sezvo
zvaizokonzeresa maproblem
naMai Denny vakutoti
ndakuda kuzadza musha
wese nehama dzangu. Luck
enough Denny akatenga
grocery tiri panyika saka
tichisvika kumba Mai Denny
pavakaona mumota
muchiburuka mupurisa
vakatokasira kubvunza kuti,
"kwakanaka here
kwamakuuya neZRP pano?"
"Kwakanaka mama ndisisi
vaNyasha ava vatishanyira,"
akadavira Denny achibvisa
mapaperbag mumota saka
Mai Denny vakangoti muenzi
ndiye avavigira chikafu.

"Ko matitiza kuchurch wani


bamukuru?" Mai Tara
vakabvunza zvikanzi
naDenny, "kana mainini
tanga tichimhanyira
kunogamuchira maiguru
pabhazi kuno vanga
vasingakuzive." Ndakaenda
kutoilet ndikavasiya
vachitaura nemuenzi ndiye
dhumha dhumha nababa
Denny vachibvako that too
vakapfeka mapushi angu.
Ndakavanzwira hasha
ndatarisa zitsoka ravo
richidhambisa mapushi angu.
"Maswera here VaMamoyo?"
Vakandisweresa vakafara
sezvaiita mazuva ese ndikati,
"ndaswera kana
maswerawo." Ndakadavira
ndiri serious zvikanzi, "mira
ndibvise shangu dzako."
Vakataura vachibatira
pashoulder rangu
ndikashaya kuti kurwadziwa
nemavanga ekutsva kana
kuti pane chaive chavapinda.
Before I could react Denny
alabv asvika patiri achiti, "chii
chiri kuitika pano?" Baba
vacho vakangozhinya
vachikurura mapushi angu.

"Uite mushe iwe!"


Akandidaro Denny
achindijunga junga
nechigunwe pahuma ndikati,
"hezvo ndaita sei?"
Ndakataura nehasha
semunhu aive atsamwawo.
"Wakupfekedza navatezvara
muchizemberana?"

"Ndapfekedzana navo kupi


kana kuti ndatowanawo baba
vako vakapfeka mapushi
angu," ndakapindura
ndichifamba ndokubva
andidhonzera paari achiti,
"ko zvekuzemberana zvabva
nepi?"
"Utaure zvaunoziva
ndambozembera baba vako
ini?" Haana kuzondipundura
akandisiya akuenda kuna
baba ini ndokupinda mutoilet.
Handina kutombomiramo
ndamuda ndichirutsa panze.
Manga mandinhuhwira
zvakanyanya kwete
kunhuhwa tsvina yemunhu
sezvo baba vanga
vachangobuda asi
kutonhuhwa chinhu
chakaora. Grace akauya
andiona ndichirutsa
akandibata bata musana
zvikanzi, "chii chiri kunhuhwa
pano?" Akadaro achindisiya
achienda mutoilet maive
anzwa smell yacho.

"Uri kuda kuinvestigator kuti


smell yabvepi?" I said
jokingly zvikanzi, "iwe
kwana." After fifteen seconds
or so I heard her screaming
loud, ndisati ndabvunza
ndakamuona achibudamo
achibondera pamadziro
phone yake ichiwira
kwakadaro muridzi
kwakadaro. Denny anzwa
noise ndipo paakauya
achimhanya in fact musha
wese. "Chii chiri
kumbonhuhwa pano?"
Denny akavhunza achifemba
femba mumhepo
nechemumoyo ndikati,
"wakuzvinzwa ikozvino?"

"Hanzi nababa mune katsi


yakawiramo," vakadavira Mai
Tara zvikanzi naDenny, "ko
vakadii kuibvisa pavakaiona
ichiwiramo zvino tinopona
here nehwema ihwohwo."
"Kuti ikatsi ingabva
yafendesa Grace," vakadaro
Mai Firi vachinhonga phone
yaGrace ndokubva vatizve,
"ane zvaaona uyu anga
akabatidza torch." For sure
torch yephone yanga
yakalighter. Denny akatorera
Mai Firi ndokubva apinda
mutoilet vamwe
vachibetserana kutakura
Grace kuenda naye mumba.
"Muneiko nhai Denny?"
Vakabvunza Mai vacho
vachipindamo ndokubva
ndateverawo ndakabata
mweya wangu kuti
ndisanzwe smell yemutoilet
macho. Mai Denny
ndaisambovatemba kuvasiya
vari mutoilet vega naDenny.

"Handisi kunyatsoona,"
akadaro Denny akavhara
muromo zvikanzi naMai
vake, "ita zvekupfugama"
Akaita sekudaro
ndokuzonzwa murume
mukuru akuti, "mhai!"
Akasimuka fast
achidonhedzera phone
yaGrace mukati. Nekuda
kwekuti mugomba manga
mave nelight rephone naMai
Denny takakwanisa
kudongorera asi ini
ndakangoona kagumbo
kemwana Mai Denny
vakandidhonzera panze.
Ipapo pfungwa dzangu
dzakangomhanyira kufunga
kuti baba Denny vanoziva
nezvekamwana kaive
mutoilet sezvo vanga vari
prime suspect panyaya
dzakadaro. Ndakaona
Denny ovandundurudza
achiuya navo kutoilet
vachingoti, "ndaita sei nhai
Dennis?"

"Kasvava kari mutoilet


kabvepi?" Ndizvo
zvaingobvunza Denny uyo
akazobatwa naGrace uyo
akati, "vanozivei ava didn't
you see kuti inhumbu
yabviswa iyo kiti iri paside
ndiyo itori nemakonye."
Ndakaona vanhu
vakudzokera
kunonyatsotarisa kuti vaonei.

End of chapter

*To be on sale from 20.*


200RTGS or R50 asi kune
vachatenga book before
chapter 20 mosender
150RTGS or R30

*How to subscribe*
Ecocash
0788357900 R.Mbombi

*Buddie airtime*
0788357900
*NB* vane ecocash please
isai cash airtime toitira vasina
ecocash kwete kuzoisa
airtime through ecocash
please.
Vari kuSA munogona
kusender airtime through
Mukuru.

*Price yeecocash neairtime


yakafanana*
*Cell C airtime*
Mosender kaslip pa
0788357900 vanoda kuisa
direct moisa pa
+27628789728

After payment mosender


proof pa0788357900 moiswa
musubgrp muchauya book
everyday at 6pm.
Thank you in advance

https://chat.whatsapp.com/K
3PEHG59gTGAug0azvU7kV

*_Vanoda Mamoyo from 1 to


15 pindai umu_*

Mamoyo
Written By Rue M
0788357900

Chapter 15
Nyasha

Nyasha ndiye ega aive


nenhumbu yaizivikanwa
pamba uye yake yanga ichiri
dikisa zvekuti pakashaya
chero akada kupomera
Nyasha nezvekubvisa
nhumbu. Chero Denny aizviti
samusha akashaya
wekunanga ndokuzoti,
"ndiyani abvisa nhumbu?"
Hapana akapindura Grace
akanditora tikaenda
kubedroom. Ndaive
ndakutoita semurwere
nenguva diki diki. "Murume
wamainini vako vadhafu
aripi?" Akabvunza Grace
ndikamutarisa neziso rekuti
mind your business sister.
"Pindura kwete
kungonditarisa kudaro,"
akataura achindirova
pagumbo ndikati, "ari
kuShurugwi kubasa."

"Akabva kuno rini?"


Kutobvunza ari serious
Grace ndikati, "kwakanaka
here vakoma?" Ipapo
akasimuka akanovhara door
zvikanzi, "Mai Tara vako
ndivo vabvisa nhumbu
Nyasha, wamboona kastep
kavo plus pabvunzwa kuti
chii chiri kunhuhwa
vamhanyira kutaura kuti kiti."

"Umm wazvinzwa sei iwe


wanga wafenda?"
Ndakabvunza akati, "kufenda
unokuziva here iwe ndanga
ndangodonha.
Pandaendeswa mukitchen
paya ndavaona vachiyerera
ropa ndikaita sendina
kuzviona ndikazoona munhu
akupukuta nechikorobho,
pano pamba muchadyiswa
tsvina chete," akadaro
ndikati, "iwe watanga
nhumbu yacho yaive payi
yataisaona?"

"Iwe maybe hamuna


kuzviona nekuti Mai Tara
vagara vakasimba.
Pavapukuta ropa riya
ndavatarisa ndikaona
vakupinda mubedroom mavo
vakabuda vakaputira zvimwe
zvinhu zvavanokanda
mugomba remarara ndipo
pandazobuda mukitchen and
vaita kakuvhunduka
pavandiona vachibva
kugomba iroro." Ndisati
ndapindura Grace
ndakanzwa Denny achiti,
"kana pasina ari kuda
kutaura chokwadi ndakuenda
kumapurisa nekuti handide
ngozi pano!" Nekuda nyaya
takabuda panze ndokusvikira
Mai Tara vachiti, "musaende
kumapurisa bamukuru ndini
ndabvisa nhumbu."
Vakataura vachiburitsa
misodzi ndikatonzwawo tsitsi.
Vakagara pasi Mai Tara
vakatanga kuhwihwidza
zvikanzi naMai Denny,
"ngatipendei mumba."
Takapinda tese mukitchen
Mai Tara vakasimudzira
mberi nekuchema.

Pavaibvunzwa kuti vabvisirei


nhumbu vaingosimudza
mapendekete voti,
"zvakaoma." It was quite
obvious kuti nhumbu yanga
isiri yemurume wavo. Mai
Denny vakamboita hasha
vakavanyengerera kuti
vataure kuti inhumbu yani
yaive yabviswa asi
zvakashaya basa kusvika
vanhu vambosendeka nyaya
yenhumbu takuita zvekubika
sezvo tanga tatononotswa
kubika. Tichibika Denny
nababa vake vaive kutoilet
vachizama kuburitsa
chimwana chiya nekatsi.
Vakakwanisa kutora
nephone yaGrace nekuti
ndakazonzwa Denny akuti
kuna Fungai, "mupfanha
cleaner phone iyi ndokuona."
Akaita sekudaro Fungai in no
time phone yanga yave
smart asi ini ndaizviudza kuti
dai iri yangu
ndaisagamuchira. Kamwana
kaive kabviswa mutoilet
hameno kwakaive
kafushirwawo.

"Mamoyo!" Ndakanzwa
Denny akundidana panze
ndokuenda ndisina kudavira
zvangu. "Ndiri kuda
kugezaka," akadaro ndasvika
paari ndikati, "kugeza kana
kugezeswa?"

"Ita mushe iwe


ndiendeserewo mvura
kubathroom nditori
neheadache right now,"
akataura ari low low
ndokubva ndatonotora mvura
yaipisa iri paside pemoto
yaMai Denny kuri kuda
kutsvaga kutukwa.
"Unomuoona mwana wamai
vako ha..." Hameno
zvavakasara vachiudza
Grace ndaendesera Denny
mvura ndikati ndezvavo.
Ndaisira Denny ndakachera
imwe ndikadzosera pamoto
ndikawana Mai Firi vapedza
kupakura. Vaive nemufaro
wakati pfurikidzei nekuti
vaiita seagent yaSatani
yaifadzwa nekuona umwe
munhu achishungurudzwa.

"Mamoyo enda unopa baba


sadza ravo," vakadaro Mai
Firi ndikashaya kuti
ndoramba sei. Ndaisada
kuona baba Denny pasina
vanhu nekuti vaive
vakundiitira hunhu
husinganzwisisike. Kumboita
gonzo, kupfeka mapushi
angu and so on
zvaisakodzera kuitwa
natezvara. "Mamoyo
haunzwe here?" Vakadaro
Mai Firi voice riri pamusoro
zvekuda kutondiona
semwana wavo.

"Zvakatanga rini izvozvo?"


Ndakavabvunza ndichigara
paside naGire. "Mhai
munomuona muroora wenyu
wamunoti anoterera?"
Vakadaro Mai Firi ndokubva
ini ndati, "vari kutondiona
mainini handiti munhu abika
ndiye anoserver here izvi
zvekuda kutumana zvabva
nepi?" Havana kundipindura
vakangosimuka vachitora
ndiro yababa nedish
vakaenda nazvo. Mai Denny
naGrace ndivo vaiita nyaya
dzisingapere zvekuti
ndakatoshaya kuti
connection yacho naMai
Denny yabva nepi.

Mai Firi vadzoka


ndakaendesera Denny
chikafu kubedroom
ndikawana asiko
ndikangofunga kuti achiri
kugeza ndakuda kubuda
mubedroom ndikanzwa voice
rake kuseri kwemba. "Baba
ndikafonera baba Tara
ndikamuudza zviri kuno
musha uno unoparara saka
chingotaura chokwadi."

"Chokwadi cheiko nhai


Denny?" Vakabvunza baba
Denny nevoice rakazara
kushungurudzika zvikanzi
naDenny, "muri kuziva
zvandiri kutaura nhumbu
yabviswa naMai Tara
ndeyani?" Nechemumoyo
ndakati Denny anoda
kungonetsawo chokwadi
baba vake vaikwana papi
panhumbu yemurora.
"Hezvo Dennis unondishura
chete ini ndigoziva
nezvenhumbu yake ndorara
naye here?" Vakadaro baba
zvikanzi, "chinokutadzisai
chii? Hamusi murume?"
Ndakapererwa nemibvunzo
yaDenny baba vacho vakati,
"wakunyanya kundijairira
manje usakanganwe kuti
ndiri baba vako?"
Ndakanzwa Denny achiseka
zvekupererwa zvikanzi,
"kana muchiita zvinoita kuti
mujairirwe ndokuremekedzai
sei? Hamusati masiya
katsika kenyu kekuteverera
varoora and ndakuonai
zvamanga muchida kuita
pana Mamoyo kave
kekutanga nekupedzisira
kutamba naye muchidaro
haasi muramu wenyu
manzwa?"
"Uri kutaura nyaya nganiko
iwe? Ukati zvenhumbu woti
zvaMamoyo? Why
uchingondifungira pazvinhu
zvese zvese?" Vakabvunza
baba Denny akati, "handisi
kukufungirai asi kuti ndoziva
hunhu hwenyu in and out."

"Izvo zvave zvakowo?"


Vakadaro ndikanzwa
vakufamba baba zvikanzi,
"mukada kubatwa
nepfungwa yekuita Mamoyo
zvamakaita Mai Ishe
ndokuvigai muri mupenyu
rakacheka nyika baba imi."

"Ndati ita zvawada mhani!"


Vakadaro voice riri pamusoro
zvikanzi naDenny, "hazvina
kushata baba ndakuudza
baba Tara zviri kuno handiti
munomuziva?"

"Kumuudza kuti chii?"


Vakabvunza vamira zvikanzi,
"kuti makamitisa mukadzi
wake mukamubvisisa
nhumbu?" Ndakashamiswa
nazvo ndikada kuti, "nhai
Denny wakakwana?"
Ndokuzorangarira kuti
ndaiterera nyaya dzisiri
dzangu. "Unondishura chete
mwana iwe regai mai vangu
vakati hausi mbeu
yekwaMhangu. Hausvode
kutaura mashoko asina
hunhu kudaro?"

"Dai musina kurara naMai


Ishe pamwe ndingadai
ndisingazvitaure," akadaro
Denny ndikabata muromo
zvikanzi, "iwe kwana
ndakamborara nemukadzi
was here kana kuti zvakaitika
musi uya zvakaitika nekuda
kwedoro iwe wakungoramba
uchiti takarasima nekuti
ndakarara nemukadzi wako
zviri pai chaizvo?" Ndaive
ndaita mucheche pamashoko
aitaurwa naDenny nababa
vake. Ndakavasiya
vachinetsana kudaro
ndikaenda kukitchen
kunodya nevamwe. Sadza
racho harina kumbopinda
zvakanaka hurukuro yana
Denny ichiita maungira
munzeve dzangu.

Vanhu havana kutandara


semazuva ese saka
ndichipedza kusuka mandiro
umwe neumwe akangoenda
kwaairara Grace akanzi
arare naMai Tara. As if
drama rezuva rovira was not
enough around 11pm
takanzwa noise madoor
achirohwa rohwa.

"Oh no!" Denny akadaro


achimuka ndikati, "uri
kuendepi? Unorohwa
nembava uko hapasi pese
panoda kuitwa
chigandanga."

"Iwe Mamoyo unotaurisawo,


chigandanga chipi
chandinoitira baba Tara
hausi kunzwa kuti ndiye ari
kuita noise?" Ndairizivira kupi
voice rababa Tara sendaive
ndambovaona kana kutaura
navo?

"Wazovafonera?"
Ndakabvunza Denny
ndichimuka zvikanzi,
"ndambokuudza kuti ndoda
kuvafonera?"

"Ko ukapindura zvakanaka


unofa here nhai Dennis?"
Ndakabvunza zvikanzi,
"ndibvire uko dai uri umwe
wazvirarira, unopinza mwana
nechando nekuda nyaya."

"Mwana upi?" Ndakabvunza


akasapindura akumhanyira
panze after tanzwa mhere
yaMai Tara naGrace.
Kubuda panze kuda wanei
denga riri kubvira baba Tara
vacho vachiti, "uri kutsviramo
ukasataura kuti wakamitiswa
nani!" Ndakavahwira hasha
dzisingaite ndafunga kuti
Grace asina mhosva
aivemowo mukati.

"Iwe Mai Firi ndambokuudza


kuti usamufonere chiona
zvakuitika manje!" Vakadaro
Mai Denny vachirova rova
Mai Firi. Baba Tara vacho
vaitove nemangoromera
kubatidza berevere rese kuri
kuda kuti munhu ataure
chokwadi.

"Chivhura nditaure kani!"


Vakadaro Mai Tara zvikanzi,
"tanga wataura ndokuti
ndivhure!" Denny akataimira
achipopota nhemha
kwakumusundira kure
achimubvisa padoor
kwakutanga kukava door asi
rakaramba kuvhurika kusvika
Fungai amhanya nedemo
vakaita zvekurova
mapuranga edoor vakaita
zvekupoya. Mai Tara
vakadonha pasi
vachangobuda mumba
murume wavo akati aenda
pavari akabata demo riya
raive ravhuriswa door.

"Rovai ini mukoma ndini


ndakamitisa maiguru,"
akadaro Fungai ndikapera
simba kuti tsvai.

End of chapter

*To be on sale from 20.*


200RTGS or R50 asi kune
vachatenga book before
chapter 20 mosender
150RTGS or R30

*How to subscribe*
Ecocash
0788357900 R.Mbombi

*Buddie airtime*
0788357900
*NB* vane ecocash please
isai cash airtime toitira vasina
ecocash kwete kuzoisa
airtime through ecocash
please.
Vari kuSA munogona
kusender airtime through
Mukuru.

*Price yeecocash neairtime


yakafanana*
*Cell C airtime*
Mosender kaslip pa
0788357900 vanoda kuisa
direct moisa pa
+27628789728

After payment mosender


proof pa0788357900 moiswa
musubgrp muchauya book
everyday at 6pm.
Thank you in advance
https://chat.whatsapp.com/B
ub8rtaRXon7kvpKbPJxCS

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 16

Narrated
Baba Tara vanzwa mashoko
emunin'ina wavo
vakadonhedza demo
nekupererwa ndokufamba
zvishoma nezvishoma
vachienda kuna Fungai uyo
akaramba akamira nekuziva
kuti hapana zvaizoitwa vanhu
vakatarisa. Mai Tara
vakaramba vakarara pasi
nenyadzi uyuwo Grace
achitariswa naNyasha paive
atsva paruoko.

"Dzokorora zvawataura,"
vakadaro baba Tara vamira
pamberi paFungai iye
ndokubva afamba achienda
kuna Mai Tara achida kuona
kuti vari sei. Akavabatsira
kumuka akanovagarisa
padoor rekitchen ndokubata
nevamwe kudzimura moto
chero zvinhu zvaive mumba
zvanga zvakutsva.
Zvekudzima moto zvichipera
baba Tara vakabva
vasimudzira nyaya yavo.
Fungai akakaruka abatwa
akarivara akanzi, "saka
mupfanha unoreva kuti
kachinhu kako aka ndiko
kakanhumburisa mukadzi
wangu?" Akabvunza
achibvisa kashort kaFungai
ako kakadonha kusvika
kumakumbo akasara ari
musvo sezvo aive
akangopfeka kashort
semunhu anga angomukawo
paakanzwa noise. Pane kuti
asimudze kashort kaive
kadonha akamhanyira
kuvhara nhengo yake.

"Kwana iwe!" NdiDenny


akadaro kune mukadzi wake
uyu aiseka akatarisa
mumvuri waFungai. "Ndaita
sei?" Akabvunza akabvunza
akutarisa kuna Fungai wacho
ane shuviro yekuti abvise
ruoko paprivate aonewo
chinhu chidiki chaive
charehwa. Sezveneiwo
chishuvo chake chakabva
chazadziswa Fungai
paakazokotama achinhonga
kashort. "Haa ndachi..."
Haana kuzopedzisa kutaura
Mamoyo arangarira kuti ari
pavanhu. "Sorry," akadaro
kuna Grace akamutsunya
achimuzevezera kuti,
"dzikama iwe." Akaita
seadzikama ndokugara
paside naMai Tara asi pasina
kana nguva akabva ati kuna
Mai Tara, "makatoita zvisina
basa naFungai mainini?"
Vasati vapindura akakaruka
abatwa nesetwa semunhu
aizama kupicture Fungai ari
pamusoro pegiant. Mai Tara
simba rekupindura rakabva
ratopera nekusekwa
naMamoyo.

"Mainini pana Fungai


makashaya moziva
kuchikoro akamboitira tsvina
musink achida kukaurisa
vanhu vaisuka matoilet.
Munhu akadaro mobva
matorara naye mainini futi,"
akashora mainini vake
zvikanzwikwa naFungai uyo
akati, "iwe Mamoyo ndini
ndakama**ra musink here
kana kuti ndivana Jim?"

"Izvo zvekuitira tsvina musink


hazvina kana basa
mozotaura mave mega ini
ndiri kuda kuziva kuti
wakararirei nemukadzi
wangu?" Vakadaro baba
Tara zvikanzi, "imi maivepi
gore rese?" Ranga rave gore
zvechokwadi baba Tara
vasina kudzoka kumusha.
"Nhaiwe Fungai haunyarare
kana waita mhosva?"
Vakadaro Mai vacho zvikanzi
naFungai, "handiti
andibvunza kuti ndairarirei
nemukadzi wake." Vamwe
pavaiita makakatanwa Denny
akatora baba vake akaenda
navo kumota yake.

"Why muchida kushandisa


mwana kuvhara hunzenza
hwenyu?" Denny akabvunza
akatsamwa zvekuti baba
vacho vakatonzwa
nemafemero ake kuti vakaita
zvekutamba vanoputitsirwa
mumota ndokubva vamuti,
"wakuzondijairira manje ziva
kuti mwana pakati pedu
ndiyani. Ukaramba uchifarisa
ndokuitira zvinhu zvekuti
unofa usingade kundiona
iwe." Mashoko avo haana
kuvhundutsa Denny nekuti
akaramba akasimba
pamubvunzo wake, "ndati
maudzei mwana chaita kuti
atore mhosva isiri yake?"

"Vhura chimota chako


ndibude wakutondisvota
manje," vakadaro vachirova
rova door Denny akaramba
ari serious asi akazokasira
kukiyinura mota after baba
Tara vaitema pamberi
nedombo.

"Budai zvenyu imomo


mutaure nyaya yenyu!"
Vakadaro baba Tara Denny
akatofunga kuti chabvondoka
baba Tara vakuziva
chokwadi. "Chauri kutemera
mota yanga chii manje?"
Akabvunza nehasha Denny
zvikanzi, "uri kutorwadziwa
nekuti ndatema mota ko imi
makasara muchiita party
mukadzi wangu?" Denny
akashamiswa nazvo
akashaya kuti chii changa
chasara chikataurika asipo.
"Akarara nemukadzi ndiyani
manje?" Akabvunza
achiswedera pedyo nababa
Tara avo vakatanga
kudzokera kumasure nekuti
zvibhakera naDenny vaisada
nekuti aiziva kuti anopetwa.
"Usade kundiitira hasha
wakarara nemukadzi
wangu?" Vakadaro baba
Tara Denny akaita seasina
kuzvinzwa ndokuenda pana
mainini vake akati, "mainini
ndine zuva
randakambopinda
mubedroom menyu kubva
zvakabva baba Tara pano?"
Mai Tara vakangodzungudza
musoro zvikanzi nababa
Tara, "fokoro wenyu vanhu
vanokwi**na mubedroom
chete here?" Hapana
akamupindura ndokubva
aona sekuti akutoitwa benzi
nevanhu ndokuchiti, "no
problem ini ndakuenda
kwasabhuku ndonotaura."

"Ko izvo zvekufukurana


hapwa zvabvepi? Fungai
angoti handiye ega airara
nemukadzi wako pano
izvozvo zvinoreva kuti
mukadzi wako akarara
naDenny," vakadaro Mai
Denny.
"Ngaaende kwasabhuku
tione kuti anonyara ndiyani?"
NdiFungai akadaro izvo
zvakapa baba Tara hasha
ndokumupa zenya asina
kutarisira. Denny aona kuti
kungatoedza akati kuna
Mamoyo naGrace, "imi
pindai mumba murare ndiri
kudzoka makuseni
musapindire munoise
yevanhu ava." Haana
kumirira mhinduro yemukadzi
wake ndokubva atoenda
kumota akaimutsa akarova
pasi. Mai Denny vakasara
voita batai batai
yekunyengerera mwana
wavo kuti achirega vanhu
vambozorora vozotaura
kwaedza. Vaingomusimbisa
nekuti, "unoita benzi ndiwe
mwanangu nekupengera
pfambi iyo. Chero vanhu
vachihura zvavo asi zvaMai
Tara zvakanyanya nemuviri
wavo uya vachishandurwa
naFungai zvake iwe woda
kutoti hee mukadzi wangu.
Mukadzi kudii kwacho uyo
anoenda kuchiedza?"
Ndizvo zvakazotenderana
Dione (baba Tara) naMai
vake.
The following morning Grace
semunhu aida kuenda
kubasa ndiye akakasira
kumuka ndokunotarisa Mai
Tara mumba mavaive vanzi
varare nevana nekuti
aingofunga kuti vanogona
kuzvisungirira. Akawana Mai
Tara nemwana wavo vasimo
ndokuenda mumba yavo
yekutsva ndokuona bepa
raive rakatsimbirirwa
nekatombo kuti risatorwe
nemhepo. Akatora kapepa
kaya akaverenga zvaive
zvakanyorwa.

"Ndaenda kumusha kwedu


nemwana wangu
musazvinetse henyu
nekunditevera mosara
murugare. Hongu ndakarara
nabamunini Fungai asi
nhumbu yandabvisa yanga iri
yababa." Ndizvo zvaive
zvanyorwa. "Hanzi chii?"
NdiMai Denny vakabvunza
vari kumasure kwaGrace uyo
akavhunduka akadonhedza
kapepa kaya pasi ndokubva
katorwa nemhepo kakaita
munyama wekubatwa
nemaoko asiriwo.

"Ndaenda kumusha kwedu


nemwana wangu
musazvinetse henyu
nekunditevera mosara
murugare. Hongu ndakarara
nabamunini Fungai asi
nhumbu yandabvisa yanga iri
yababa," zvakadzokororwa
kuverengwa zvaive
zvakanyorwa naMamoyo
achiite seaiverenga nhau.
Aitadza kuzvinzwisisa
kusvika ati, "zvinhu
zvamainini handizvinzwisise
ini vanongonyora kuti,
"nhumbu yanga iri yababa,
baba vani chaizvo chaizvo?
Mama hamuna number
dzavo ndivafonere? Handidi
zvekusara ndine mibvunzo
isina basa nekuti Denny
ndibaba futi, baba Firi
ndibaba Firi ndibaba futi plus
baba ndibaba.Kuti ndibaba
vatezvara?" Akazodaro
avhura maziso arangarira
kuti aive ambonzwa
vachibvunzwa zvenhumbu
iyoyo naDenny.

Mai Denny vakatora kapepa


kaya mumaoko aMamoyo
ndokuti, "zvakanyorwa apa
ndezvedu tiri vatatu.
Ndikangozvinzwa kumwe
ndoziva kuti ndimi muri
vaviri."
Mamoyo akaratidza
kushushikana vamwene vake
vachidaro ndokutaura
nevoice rakazara kunyunyuta
achiti, "mama madya
evidence ndoudza Denny sei
manje nekuti akati anoda
nyaya dzine evidence?"

End of chapter
*To be on sale from 20.*
200RTGS or R50 asi kune
vachatenga book before
chapter 20 mosender
150RTGS or R30

*How to subscribe*
Ecocash
0788357900 R.Mbombi
*Buddie airtime*
0788357900
*NB* vane ecocash please
isai cash airtime toitira vasina
ecocash kwete kuzoisa
airtime through ecocash
please.
Vari kuSA munogona
kusender airtime through
Mukuru.
*Price yeecocash neairtime
yakafanana*

*SA subscribers*

E-wallet- +27628789728

Sorry for the inconveniences


paE-wallet apo asi vasina
vanotenga cell c airtime
vosender slip pa
0788357900

After payment mosender


proof pa0788357900 moiswa
musubgrp muchauya book
everyday at 6pm.

Thank you in advance


Mamoyo
Written By Rue M
0788357900

Chapter 17
Narrated

Mamoyo akatosvotwa naMai


Denny zvekutodzokera
kunorara chaiko asi
aitozviudza kuti chero
evidence yatsengwa tsengwa
Denny aimuudza chete. Mai
Denny vakasara
vonyengerera Grace kuti
avhare muromo wake uyo
akati, "ndotaurei zvangu ini
mupfuuri wenzira ndave
kuenda kubasa."

"Ko wakutoenda uri kugara


kupi?" Mai Denny
pavakamubvunza izvozvo
akabva arangarira nhema
dzaDenny naMamoyo akati,
"ndakagara ndatsvagirwa
imba kwaNyika saka nezuro
pandakasvika
ndakangorongedza zvanhu
zvangu ndiko kwandichange
ndichigara."

"Ko isu matotiona here nhai


asikana?" Vakabvunza Mai
Denny zvikanzi, "ndinodzoka
weekend apa moona
handina kuuya kana
nehembe dress raNyasha
randakapfeka ndanzwa
nekurirangaridzwa kuti
ndisaridhambise," akadaro
achiseka zvikanzi naMai
Denny, "Mamoyo haumuzive
here haade nezvinhu zvake."
Vaisanyepa ipapo Mai Denny
nekuti muroora wavo ainyima
zvekuti zvichida yaive
nhumbu yaimudaro kana kuti
ndihwo hwaitove hunhu
hwake.
"Iro teniti ndiro raangati
unodhambisa here?"
Vakadaro vachiseka Mai
Denny zvikanzi,
"ndingazvigona?" Grace
akabva aenda mumba
Mamamoyo kunotora
zvekugezesa Mai Denny
vakasara vachigara
pamusuwo wemuroora wavo
anga aenda. "Chokwadi
baba Denny anondishura,"
vakadaro vachisimudza
maoko ndokuzomapeta
vachiti, "huye zvakaoma."
Zvanga zvavaomera
zvechokwadi nekuti vanga
vasina kutarisira kuti baba
Denny vangadzokorodza
zvinhu zvinonyadzisa kudaro.
Gore ranga rapfuura Denny
paakarambana nemukadzi
wake wekutanga ndivo vaive
vazvikonzeresa sezvo
vakabatwa nemukadzi
waDenny. Musi wacho
pamba paive nendari Mai
Denny nevamwe varoora vari
busy kutengesa doro kusvika
zuva rivire. Baba Denny
vaive vakadhakwa pamwe
chete nemukadzi waDenny.
Ava Mai Ishe ndokubva vati
vave kunorara asi nekuda
kwekudhakwa vakabva
vaenda mubedroom
navamwene vavo tezvara
kwakuchitevera vakasvika
vachizvikandawo pabed
paive pana Mai Ishe vachiti
vazorore ndokunzwa pane
munhu.

"Denny swedera uko ndoda


kuzorora mhani?" Vakadaro
Mai Ishe vachisunda
vatezvara vari kuhope. Baba
Denny ndokubva vati dzawira
mutswanda hadzichanetse
kuorera kwakuchinyepedzera
kuita saDenny. Semunhu
anga ave nenguva asina
kusangana nemukadzi shavi
rakabva rabuda munhu
kwakutokururira muroora
hembe kwakutopinzira. Kuti
nditi Mai Ishe idoro rakaita
kuti vatadze kuziva kuti
munhu wavave kutamba
naye haasi murume wavo
kana kuti raitongovewo shavi
rechipfambi rakavabata
handizivi. Vaviri vari busy
kunakirana Ishe wakatanga
kuchemera Mai vake ari
pana Denny. Denny
nekusada kunyangadzwa
nemwana achinakirwa
nenyaya dzepandari akabva
angosimuka nemwana achiti
anonomusiya kuna mai vake
asi paakapinda mumba yavo
yekurara akabva ashaya
mukadzi wake ndokubvunza
Mai Tara kana vaive vaona
Mai Ishe.

"Ndavaguma vachipinda
muroom mamai umo pamwe
vatorivara vakabatwa nehope
vanga vachiti vakaneta,"
ndizvo zvakataura Mai Tara.
Denny akaenda nemwana
ikoko akanoka ari padoor
sezvo anga atongojaira
kugogodza asati apinda
mumba mamai vake. "Mai
Ishe!" Akadana mukadzi
wake Mai Ishe ndipo
pavakati pengenu ndokuona
kuti vana tezvara. "Hee!"
Vakadavira murume hana
ichirova zvikanzi naDenny,
"tora mwana uyu urare
naye." Akadaro Denny
achipinza mwana mumba
ndokubva atofuratira
semunhu aisada kudarikwa
nenyaya.

"Sekuyu?" Akamira Denny


anzwa izwi nemwana wake
richidana baba vake
ndokubva angodzokera
mumba pasina kufunga kaviri
ndokuchiona kuti
zvechokwadi mumba mune
vanhu vaviri. Vaviri
vakapfeka nekuchimbidza
murima imomo zvekuti
vakazotanga kunyepedzera
kudhakwa vasimira asi
izvozvo zvanga
zvisingachashande nekuti
Denny wanga watobata
yaitambika and
pakazobatidzwa light ziya
raive nababa vake naMai
Ishe raisambova rekudhakwa
bodo." Denny akangoita
seanzwisisa zvaitaura
ndokubva paya achidzokera
kunyaya asi pfungwa dzanga
dzisiri panzvimbo.

Ramangwana racho akaudza


mai zvaive aona
vakamuvhara vhara vachiti
baba havangambodaro ndiye
ari kufunga zvisizvo. Mai
vadaro akambozvimanikidza
kubvisa pfungwa yekuti
vatezvara vangarara
nemuroora. Mazuva
akafamba Denny akanyarara
mukadzi wake akuita
kakumusema baba vake
asingachade kuvaona. Ipapo
ndipo paakabva avaka
musha wake akuti abve
pamba kuitira kuti asarambe
achionana nababa vake.
Paakavaka akangozviudza
kuti vakarara vese
zvechokwadi mhosva ndeye
doro.

Vatezvara kubva zvavaive


varavira zvinonaka vanga
vachada kuzvisiya? Ukuwo
Mai Ishe kugara vakatukwa
naDenny kwakasvika
pakuvasvibisa moyo chero
pakavakirwa imba vaingoti
chero zvazvaita. Vatezvara
vaive vakupa Mai Ishe
twunonaka muroora
achiendesa grocery kumba
kwavo achiti rabva
kumukwasha kusvika
zvazobatwa naDenny
ndokudzosera munhu kumba
kwavo akatumira gupuro.
Ipapo Denny akadzokera
kumba kwamai vake Mai
Ishe vakadzoka pamusha
wavo. Denny akangosiyana
nazvo semunhu anga
asingachade kunzwa
nezvavo. Mazuva iwayo
ndiwo akabva asvikawo
Nyasha muvillage mavo.
Denny kwakutopfimba
mwana kuri kuda kuwachisa
Mai Ishe asi nekufamba
kwenguva kwakutozotanga
kuda Mamoyo kusvika
varorana. Kuuya kwaNyasha
ndiko kwanga kwamutsa
zvirere pamusha saka Mai
Denny nekuda kuramba vane
chiremera vaive vofunga
zano rekubvisa Mamoyo
pamusha wavo.

Chero chipfambi chemurume


wavo chaivarwadza, Mai
Denny vaizama
kuchivanziridza kuti sezvo
vanga vachembedzana
vachingofa vese uye
yechipfambi iyi ndivo vanga
vatanga nayo
pavakazopihwa chirwere
nasabhuku zvino kuda
kuzama kuchibvunza
murume aibva angoti,
"chakachenjedza
ndechakatanga mukadzi
wangu huye usakanganwe
kuti ndiri kunwa mapiritsi
nekuda kwako?"
"Ndizvo hazvo asi kuzorara
nevaroora here baba?"
Vakakaruka vaburitsa
mashoko iwayo vakarivara
Mai Denny ndokuzvibata
muromo vachitarisa kuti
hapana avanzwa here.
Vakaputuka misodzi yaive
yabuda vachirangarira
zvanga zvaitika kumasure.

"Mama ini ndakuenda


ndozokuonai weekend,"
akavaoneka Grace atopfeka
uniform yake yekubasa asi
baba Tara ndivo vakatanga
kudavira vachiti, "ko taonana
here maiguru?" Baba Tara
vanga vasina kumbopihwa
maintro kana kuona Grace
manheru asi nemaseconds
avakamuona iwayo
vakangoconcluder kuti
vakoma vaNyasha
nekufanana kwavaive vakaita
zvese necomplexion.

"Regai ndiende musati


mandipedzisa handiti nezuro
maida kundipisira mumba?"
Akadaro Grace achifamba
zvikanzi nababa Tara, "nhai
mai hamuna kundiudza kuti
pano pane svovi yemwana?"
Mai vacho havana kupindura
Grace ndokutanga kufamba.
Baba Tara vakanyengerera
Grace kumuperekedza
kwaNyika sezvo vanga vane
mota. Akabvuma
kunyengerereka Grace
ndokuenda.

Zuva rakazofamba
zvakanaka asi Mai Denny
ndivo vakaita
sevachashoshomera voice
nekutsanangurira vanhu kuti
imba yakatsva sei. Mamoyo
ndiye ainonokerwa nekuuya
kwaDenny kuti amuudze
breaking news. Denny wacho
akazodzoka pamba zuva
ravira akangosvika achidana
mukadzi wake kubedroom.
Mamoyo akatoona mood
yaDenny akareader ega kuti
hazviite kuti ataure nyaya
yake isina evidence
kwakudzikama akamirira
kunzwa zvaaive adanirwa
zvikanzi naDenny, "ndataura
nababa vako masikati
tikatenderana kuti unofanira
kudzokera kumba."

"Kudzokera kumba kunodii?"


Mamoyo akabvunza
achiratidza kukanuka
zvikanzi, "Mamoyo just pack
your bags vana tete vako vari
kuuya kuzokutora."
End of chapter.

To be on sale from chapter


20. 200RTGS/ R50 asi kune
vachatenga book before
chapter 20 munosender
150RTGS/ R30.

*HOW TO SUBSCRIBE*
-Ecocash
-E-wallet
-Buddie airtime
-Cell C airtime

*Ecocash*
0788357900 R.Mbombi

*E-wallet*
+27628789728
*Buddie airtime*
0788357900

*Cell C airtime*
+27628789728

_NB: Price yeecocash and


airtime yakafanana but vane
ecocash please please don't
send airtime. Airtime tinoitira
kuti vasina ecocash
vawanewo kutenga book
same applies paE-wallet and
cell c_

After payment you send your


proof to 0788357900.
Vanenge vashandisa
ecocash don't forget to
mention zita rinobuda
paecocash penyu kana
makuisa proof of payment.
After this mobva maiswa
musubgrp muchaiswa
book.Book richauya seven
days per week at 6pm.

_Thank you in advance_


https://chat.whatsapp.com/Cl
LNs41q5sA9elB2wWpYnW
Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 18
Narrated

Denny sedangwe akatoona


kuti akasamutsa musoro
musha wavo unoita chiseko
chenyika ndokubva afunga
kuenda kuna madzibaba
vakambomuporofita mazuva
aiivaka kwaNyika akatovaita
sevasina kukwana.
Vaitozvipfuurira nenzira
ndokutsauka vamuona
achivaka vakasvika paari
ndokutanga kurumbidza
imba yaaivaka vapedza
ndokuzoti, "murandarume
ndiri kuona pane mukadzi ari
kurwisana nemukadzi wako."
Madzibaba pavakadaro
Denny akatanga aseka,
"madzibaba matove online
kana muchiri panyama?"
Vakadzungudza musoro
madzibaba vaya vanzwa
tsitsi vakamutarisa sezvo
vaiona zvaisaona.

"Murandarume ndiri kuona


hurombwa mukati memusha
wamunobva..." Vakadaro
madzibaba
ndokumbonyarara vamirira
reply yaDenny uyo
akavatarisa neziso rekuti, "go
ahead madzibaba."

"Zvino baba vandiratidza kuti


pakubata bata kwakaitwa
mumusha macho ndiwe
wakaitwa muripo. Vabereki
vako murandarume vakaita
mhiko yekuti iwe haufanire
kuroora," madzibaba
vachidaro Denny nevamwe
vake vakabva vaseka vachiti
madzibaba vabva online
network yavo yave down
sezvo Denny anga
achangobva kunobvisira
mukadzi wepiri anova
Nyasha. "Baba zviro kwazvo
vana venyu vapera
nekushaya zivo," vakadaro
madzibaba zvikanzi
naDenny, "chiitai muchiti gaa
gaa munhu waMwari tiri
pabasa."
"Wakapihwa mukadzi uri
mudiki chaizvo zvino
pawakazoroora
wakatsamwisa mukadzi
iyeye ndokubva aita kuti
usiyane nemukadzi wawaive
naye. Zvese zvakaitika kuti
urambane naye
zvakakonzerwa naye. Zvino
rwendo rwunho
wazomutsamwisa
zvakapfurikidza zvekuti
muripo wacho uchava
wekudeuka kweropa
remukadzi wawatora iko
zvino. Uchaona zvichaitika
mumusha mako mazuva
gumi ari kutevera kana
wazotenda kuti ndiri
mutumwa waMwari uchaziva
kwekunditsvaga,"
vachipedza kudaro vakabva
vaenda madzibaba Denny
akamboshungurudzika
vamwe vake vakamuti,
"Denny usaite seusina
kuenda kuchikoro hauvazive
here vanhu ava vari
pakutsvaka mari uchaziva
vaya vekuti mwana wangu
ari kudiwa kumusha
kwababa vake paakarwara
takanetsana nemukadzi
kusvika kumaDNA
ndikazonyara sei mwana ari
wangu."

"Chokwadi havasi
vekutevedzera vanhu ava
vakasati vaona chiga cherufu
kana ngozi iri kukutevera
vanototaura izvozvo
zvekuromba nekusundirwa
mamhepo," akatsigira umwe
waDenny vatatu
vakatozoswera vachiseka
maporofita. Pasina mazuva
maviri Denny akabva audzwa
naNyasha zvaaive anzwa
vabereki vake vachitaura
zvekuti mbuya vakunetsera
Denny. Denny haana kuda
kuratidza kuti zvaive
zvamubata kune mukadzi
wake asi aive akutobatanidza
mashoko amadzibaba
neemukadzi wake ndokubva
zvamushaisa hope. Akada
kunobvunza vabereki vake
akashaya pekutangira nekuti
zvaisaita kuti mwana
angosvika achiti, "ko
makaromberei neni?"
Nyaya yegodo ndiyo yaive
yatuma baba vaDennis kuti
varombe. Vakaenda
kun'anga vachida mushonga
wedivisi nekuita mari
nekahupenyu kakanaka.
N'anga yaitoda ropa
remwana wavo wekutanga
Mai Denny nemoyo
wekubereka vakati
vanotambura zvavo
nenhamo pane kuurayisa
Dennis. Baba Denny ndipo
pavakazochema chema
nen'anga vachikumbira imwe
nzira inoita kuti vaite mari
pasina kuuraya mwana ndipo
pakazonzi Denny oita
murume wen'anga. Vaviri
vakangozobvuma kuitira kuti
zvivapfuure zvavanoda zviite
asi Mai Denny
nechemumoyo vaitoti mwana
wavo haangamboite mukadzi
wen'anga.

Zvese zvavaida zvakaita asi


nekufamba kwenguva Mai
Denny vakaona Denny akura
asi asina kana musikana.
Aitotya vasikana Dennis mai
vacho vakatanga
kumufambira kukanganwa
kuti vakavimbisa n'anga kuti
Denny achava murume
wayo. Pavakaudzwa
neumwe muporofita kuti
ndivo vari kuita kuti mwana
ashaye musikana vakabva
vabhadhara muporofita uya
kuitira kuti mwana awane
mukadzi. Vachibva
kumaporofita vakabva
vatotanga kutsvaga
musikana angaite nekuti
chero mweya wezimbuya
wabviswa pana Denny
kunyara vasikana kwanga
kuchiri maari semunhu anga
akura asina kana kumisa
musikana.

Akamboda kuramba
paakatsvagirwa Mai Ishe
ndokuzongopedzisira
abvuma. Kuroora kwaDenny
kwakatsamwisa n'anga iya
zvekuti yakavinga Mai
nababa Denny husiku pamba
ichida kutotora Denny. Mai
Denny vakarambisisa
nemwana wavo mbuya vaya
vakati hazvina kushata
kwakuchiti baba Denny ndivo
vachafanobata chinzvimbo
chaDenny kusvika arambana
nemukadzi wake uye ivo Mai
Denny ndokubva vapihwa
imwe mhiko yekuti
havasangane nemurume
wavo kusvika vapa n'anga
Denny sezvo vanga vatorera
mbuya murume vachipa Mai
Ishe. Baba Denny zvekurara
nespritual wife vaisada asi
havana zvavaizviita.

Mbuya iya yaizama nepose


painogona kuparadzanisa
Denny nemukadzi wake
zvichiramba kusvika yazoita
kuti baba Denny varare
nemuroora ndokuzorambana
kwakaita vanhu ava asi
varambana kudaro mbuya
yakakundikana kudzokera
kuna Denny semunhu anga
akupota achinamata. Kusvika
pakuzoroora Nyasha. Mai
Denny vanga vasingachade
zveumwe muroora nekuti
hunhu hwavaiitirwa naMai
Ishe hwekudya mari
yaDenny hwakazoita kuti
vafunge kuti muroora n'anga
asingabate mari yemwana
wavo ari nani pane
zvipfukuto zvinenge Nyasha
naMai Ishe asi Mai Denny
vanga vazonyangira yaona
nekuda kwekuti Denny anga
akuziva kuti
vanomushandisa.
Denny anga ave kuda kuziva
chikonzero chakaita kuti
varombe naye uyo kutsvaga
way forward kuti arambane
nembuya vacho forever
zvibve zvangovharana kana
hupfumi hwavakapihwa
nambuya huchidzokera
hwodzokera. Musi wazoitika
noise pamba Denny
akavhundutswa nemashoko
ababa vake avakamuudza
vari mumota ndipo
paakazofunga kutsvaga
madzibaba vaya. Akaenda
kwaNyika husiku ihwohwo
ndokuzotoona kuti hazviite
kubvunza vanhu
nezvamadzibaba ivavo
husiku. Kuti afambise nguva
akabva aenda kubhawa
ndokunonwira nwira
achitandara kusvika kunze
kuedze kwakuzobvunza
nezvamadzibaba vaya
ndokupihwa madirection
ekusowe ravo sezvo panga
pasina anonyatsoziva pamba
pavo. Akasvika pasowe
pacho pakazara vanhu asi
madzibaba vacho vasipo
ndokukumbira number dzavo
kune vamwe baba vaanga
angowirirana navo. Apihwa
number dzacho akaphoner
asi panga pasina anodavira
ndokuzobvunza address
yavo kune musondosi wavo
kwakuchienda kumba
kwamadzibaba uko
kwakaakasvika kune noise
pamwe chete nemapurisa
including Grace.

"Chii chiri kuitika pano


maiguru?" Akabvunza Grace
vakamira pagate zvikanzi
naGrace, "pakaipa bamunini
pana madzibaba vanogara
apa hanzi vaiporofita
nemusoro wegora kudiiko
apa vazobatwa vakarara
nemukadzi wemunhu on top
of that hanzi akamitisa
vakadzi vaviri kusowe rake
vaida kuuchikwa so umwe
mudare (a respect church
member) wepasowe pacho
ndiye akamitisirwa mukadzi
namadzibaba apa
kwakungovinga madzibaba
kwakuvabaya nebanga apa
vanga vatori nemukadzi
wemunhu. Vatofa right now,"
akadaro Grace zvakapa
Denny kuti aseke nhamo
serugare nekuti madzibaba
ivavo ndivo vanga vatori
hope yake.
End of chapter

*Notice*
To be on sale from chapter
20. 200RTGS/ R50 asi kune
vachatenga book before
chapter 20 munosender
150RTGS/ R30.

Mamoyo
Written By Rue M
0788357900

Chapter 18

Narrated
Denny sedangwe akatoona
kuti akasamutsa musoro
musha wavo unota chiseko
chenyuka ndokubva afunga
kuenda kuna madzibaba
vakambomuporofita mazuva
aiivaka kwaNyika akatovaita
sevasina kukwana.
Vaitozvipfuurira nenzira
ndokutsauka vamuona
achivaka vakasvika paari
ndokutanga kurumbidza
imba yaavaka vapedza
ndokuzoti, "murandarume
ndiri kuona pane mukadzi ari
kurwisana nemukadzi wako."
Madzibaba pavakadaro
Denny akatanga aseka,
"madzibaba matove online
kana muchiri panyama?"
Vakadzungud a musoro
madzibaba vaya vanzwa
tsitsi vakamutarisa sezvo
vaiona zvaisaona.

"Murandarume ndiri kuona


hurombwa mukati memusha
waunobva..." Vakadaro
madzibaba
ndokumbonyarara vamirira
reply yaDenny uyo
akavatarisa neziso rekuti, "go
ahead madzibaba."
"Zvino baba andiratidza kuti
pakubata bata kwakaitwa
mumusha mako ndiwe
wakaitwa muripo. Vabereki
vako murandarume vakaita
mhiko yekuti iwe haufanire
kuroora," madzibaba
vachidaro Denny nevamwe
vake vakabva vaseka vachiti
madzibaba vabva online
network yavo yave down
sezvo Denny anga
achangobva kunobvisira
mukadzi wepiri anova
Nyasha. "Baba zviro kwazvo
vana venyu vapera
nekushaya zivo," vakadaro
madzibaba zvikanzi
naDenny, "chiitai muchiti gaa
gaa munhu waMwari tiri
pabasa."

"Wakapihwa mukadzi uri


mudiki chaizvo zvino
pawakazoroora
wakatsamwisa mukadzi
iyeye ndokubva aita kuti
usiyane nemukadzi wawaive
naye. Zvese zvakaitika kuti
urambane naye
zvakakonzerwa naye. Zvino
rwendo rwunho
wazomutsamwisa
zvakapfurikidza zvekuti
muripo wacho uchava
wekudeuka kweropa
remukadzi wawatora iko
zvino. Uchaona zvichaitika
mumusha mako mazuva
gumi ari kutevera kana
wazotenda kuti ndiri
mutumwa waMwari uchaziva
kwekunditsvaga,"
vachipedza kudaro vakabva
vaenda madzibaba Denny
akamboshungurudzika
vamwe vake vakamuti,
"Denny usaite seusina
kuenda kuchikoro hauvazive
here vanhu ava vari
pakutsvaka mari uchaziva
vaya vekuti mwana wangu
ari kudiwa kumusha
kwababa vake paakarwara
takanetsana nemukadzi
kusvika kumaDNA
ndikazonyara sei mwana ari
angu."
"Chokwadi havasi
vekutevedzera vanhu ava
vakasati vaona chiga cherufu
kana ngozi iri kukutevera
vanototaura izvozvo
zvekuromba nekusundirwa
mamhepo," akatsigira umwe
waDenny vatatu
vakatozoswera vachiseka
maporofita. Pasina mazuva
maviri Denny akabva audzwa
naNyasha zvaaive anzwa
vabereki vake vachitaura
zvekuti mbuya vakunetsera
Denny. Denny haana kuda
kuratidza kuti zvaive
zvamubata kune mukadzi
wake asi aive akutobatanidza
mashoko amadzibaba
neemukadzi wake ndokubva
zvamushaisa hope. Akada
kunobvunzakush on ga
vabereki vake akashaya
pekutangira nekuti zvaisaita
kuti mwana angosvika achiti,
"ko makaromberei neni?"
Nyaya yegodo ndiyo yaive
yatuma baba vaDennis kuti
varombe. Vakaenda
kun'anga vachida mushonga
wedivisi nekuita mari
nekahupenyu kakanaka.
N'anga yaitoda ropa
remwana wavo wekutanga
Mai Denny nemoyo
wekubereka vakati
vanotambura zvavo
nenhamo pane kuurayisa
Dennis. Baba Denny ndipo
pavakazochema chema
nen'anga vachikumbira imwe
nzira inoita kuti vaite mari
pasina kuuraya mwana ndipo
pakazonzi Denny oita
mukadzi wen'anga. Vaviri
vakangozobvuma kuitira kuti
zvivapfuure zvavanoda zviite
asi Mai Denny
nechemumoyo vaitoti mwana
wavo haangamboite mukadzi
wen'anga.

Zvese zvavaida zvakaita asi


nekufamba kwenguva Mai
Denny vakaona Denny akura
asi asina kana musikana.
Aitotya vasikana Dennis mai
vacho vakatanga
kumufambira kukanganwa
kuti vakavimbisa n'anga kuti
Denny achava murume
wayo. Pavakaudzwa
neumwe muporofita kuti
ndivo vari kuita kuti mwana
vakabva vabhadhara
muporofita uya kuitira kuti
mwana awane mukadzi.
Vachibva kumaporofita
vakabva vatotanga kutsvaga
musikana angaite nekuti
chero mweya wezimbuya
wabvisa pana Denny
kunyara vasikana kwanga
kuchiri maari semunhu anga
akura asina kana kumisa
musikana.

Akamboda kuramba
paakatsvagirwa Mai Ishe
ndokuzongopedzisira
abvuma. Kuroora kwaDenny
kwakatsamwisa n'anga iya
zvekuti yakavinga Mai
nababa Denny husiku pamba
ichida kutotora Denny. Mai
Denny vakarambisisa
nemwana wavo mbuya vaya
vakati hazvina kushata
kwakuchiti baba Denny ndivo
vachafanobata chinzvimbo
chaDenny kusvika arambana
nemukadzi wake uye ivo Mai
Denny ndokubva vapihwa
imwe mhiko yekuti
havasangane nemurume
wavo kusvika sezvo vanga
vatorera mbuya murume
vachipa Mai Ishe. Baba
Denny zvekurara nespritual
wife vaisada asi havana
zvavaizviita.

Mbuya iya yaizama nepose


painogona kuparadzanisa
Denny nemukadzi wake
zvichiramba kusvika yazoita
kuti baba Denny varare
nemuroora ndokuzorambana
kwakaita vanhu asi
varambana kudaro mbuya
yakakundikana kudzokera
kuna Denny semunhu anga
akupota achinamata. Kusvika
pakuzoroora Nyasha. Mai
Denny vanga vasingachade
zveumwe muroora nekuti
hunhu hwavaiitirwa naMai
Ishe hwekudya mari
yaDenny hwakazoita kuti
vafunge kuti muroora n'anga
asingabate mari yemwana
wavo ari nani pane
zvipfukuto zvinenge Nyasha
naMai Ishe asi Mai Denny
vanga vazonyangira yaona
nekuda kwekuti Denny anga
akuziva kuti
vanomushandisa.

Denny anga ave kuda kuziva


chikonzero chakaita kuti
varombe naye uyo kutsvaga
way forward kuti arambane
nembuya vacho forever
zvibve zvangovharana kana
hupfumi hwavakapihwa
nambuya huchidzokera
hwodzokera. Musi wazoitika
noise pamba Denny
akavhundutswa nemashoko
ababa vake avakamuudza
vari mumota ndipo
paakazofunga kutsvaga
madzibaba vaya. Akaenda
kwaNyika husiku ihwohwo
ndokuzotoona kuti hazviite
kubvunza vanhu
nezvamadzibaba ivavo
husiku. Kuti afambise nguva
akabva aenda kubhawa
ndokunonwira nwira
achitandara kusvika kunze
kuedze kwakuzobvunza
nezvamadzibaba vaya
ndokupihwa madirection
ekusowe ravo sezvo panga
pasina anonyatsoziva pamba
pavo. Akasvika pasowe
pacho pakazara vanhu asi
madzibaba vacho vasipo
ndokukumbira number dzavo
kune vamwe baba vaanga
angowirirana navo. Apihwa
number dzacho akaphoner
asi panga pasina anodavira
ndokuzobvunza address
yavo kune musondosi wavo
kwakuchienda kumba
kwamadzibaba uko
kwakaakasvika kune noise
pamwe chete nemapurisa
including Grace.

"Chii chiri kuitika pano


maiguru?" Akabvunza Grace
vakamira pagate zvikanzi
naGrace, "pakaipa bamunini
pana madzibaba vanogara
apa hanzi vaiporofita
nemusoro wegora kudiiko
apa vazobatwa vakarara
nemukadzi wemunhu on top
of that hanzi akamitisa
vakadzi vaviri kusowe rake
vaida kuuchikwa so umwe
mudare (a respect church
member) wepasowe pacho
ndiye akamitisirwa mukadzi
namadzipapa apa
kwakungovinga madzibaba
kwakuvabayathank nebanga
apa vanga vatori nemukadzi
wemunhu. Vatofa right now,"
akadaro Grace zvakapa
Denny kuti aseke nhamo
serugare nekuti madzibaba
ivavo ndivo vanga vatori
hope yake.

End of chapter
*Notice*
To be on sale from chapter
20. 200RTGS/ R50 asi kune
vachatenga book before
chapter 20 munosender
150RTGS/ R30.

*HOW TO SUBSCRIBE*
-Ecocash
-E-wallet
-Buddie airtime
-Cell C airtime

*Ecocash*
0788357900 R.Mbombi

*E-wallet*
+27628789728

*Buddie airtime*
0788357900

*Cell C airtime*
+27628789728

_NB: Price yeecocash and


airtime yakafanana but vane
ecocash please please don't
send airtime. Airtime tinoitira
kuti vasina ecocash
vawanewo kutenga book
same applies paE-wallet and
cell c_

After payment you send your


proof to 0788357900.
Vanenge vashandisa
ecocash don't forget to
mention zita rinobuda
paecocash penyu kana
makuisa proof of payment.
After this mobva maiswa
musubgrp muchaiswa
book.Book richauya seven
days per week at 6pm.

_Thank you in advance_


*HOW TO SUBSCRIBE*
-Ecocash
-E-wallet
-Buddie airtime
-Cell C airtime
*Ecocash*
0788357900 R.Mbombi

*E-wallet*
+27628789728

*Buddie airtime*
0788357900
*Cell C airtime*
+27628789728

_NB: Price yeecocash and


airtime yakafanana but vane
ecocash please please don't
send airtime. Airtime tinoitira
kuti vasina ecocash
vawanewo kutenga book
same applies paE-wallet and
cell c_

After payment you send your


proof to 0788357900.
Vanenge vashandisa
ecocash don't forget to
mention zita rinobuda
paecocash penyu kana
makuisa proof of payment.
After this mobva maiswa
musubgrp muchaiswa
book.Book richauya seven
days per week at 6pm.

_Thank you in advance_

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900
Chapter 19

Last Free Chapter

Nyasha
Kuda kutobvunza Denny
chandaive ndamutadzira
akabva atobuda mumba
achiti, "ndoda kudzoka
waenda kumba kwenyu!"
Ndakapererwa ndikagara
pasi ndichishaya kuti chii
chakaitika pakabuda Denny
chaita kuti adzoke
achindiramba.
"Uchiri wakagara ipapo?"
Akadaro adzoka mubedroom
ndokubva ndati, "handi wati
vana tete vangu vari kuuya
kuzonditora?" Ndakapindura
ndichisimuka zvikanzi, "iyoyo
nyaya yekundipindura ndiyo
imwe yakudzokeresa kumba
kwenyu." Ndakamutarisa
akandiridzira tsamwa
ndokubva ndati, "kana
ukandibvunza handi unenge
uchitarisira kupindurwa
here?" Haana kupindura
ipapo kwakuenda
pawardrobe akatanga
kuburitsa hembe dzangu
achikanda pasi. Nekushaya
zvekumuita misodzi
yakatanga kuyerera ndikati,
"sorry Denny
handichapindure."
Akacheuka ndokudzungudza
musoro akanditarisa
akapfuurira mberi
nekuburitsa hembe ini
ndokuramba ndichiti,
"sorry,"nekuti ndaisada
kudzokera kumba. Hapana
chinorwadza sekukumbira
ruregero usina mhosva
yawapara sezvandakaita
ipapa.

"Denny ndaita sei?"


Ndakabvunza ndakapfugama
pamberi pake ndakamubata
gumbo nemaoko ese chiso
chakamutarisa kuti
andinzwirewo tsitsi iye
kwakubva atarisa kuside. Mai
Denny nekunzwa masorry
sorry angu vakauyawo
mubedroom medu kuti vaone
chaitora nzvimbo.

"Kwakanaka here nhai


Dennis?" Vakadaro
vachirovanisa maoko avo
kwakumapeta vachigara
pabed. "Ehe kwakanaka,"
akadavira Denny ndikati,
"mama Denny akuda
kundidzinga pano."
Vakavhurisa maziso Mai
Denny anga agara ari
makuru zvese nemuromo in
a funny way zvekuti dai
zvinhu zvanga zvakanaka
ndaigona kuseka. Mai Denny
semunhu anga asingandide
vakabva vasimuka vachiti,
"dzevaviri hadzipindirwe rega
ndinozvizororera ini mwana
wemuyera shumba."

"Hembe dzako dzakabva


dziri pai?" Akabvunza Denny
apa achinyatsoziva kuti
ndakatizira ndisina hembe
chero pandakazodzokera
kumba paya ndakangotora
hembe dzaikwana
muhandbag sezvo hembe
zhinji dzandaipfeka
dzaisapfekwa nemukadzi
wemunhu that too
wekumusha.

"Denny hauchatondide?"
Ndakati ndibvunze munhu
kwakuramba akanyarara
ndikati, "kana usina
kundipindura handibve
pano." Akanditarisa akaseka
zvikanzi, "madrama ako
haashande pandiri wanzwa?
Iwe chimbodzokera kumba
kwenyu unokura nekuti pano
hapana zvauri kuita."
Ndakaramba ndakanyarara
ndokutoenda pabed ndichiti
ndizvirarire handi ndaive
ndakanzwa kuti marriage
ndeyekushingirira saka
zvaitika ndakangozvitora
normal. After all vanhu vese
vaingonetsana asi semunhu
wemukadzi handaifanira
kuramwaka.

"Usade kunditsamwisa iwe!"


Akadaro Denny
achiwaranyura jira randaive
ndakafunga ndokundibata
ruoko achindidhonza ndipo
pandakati pengenu ndikaona
kuti haasi mafunnies,
paakandisimudzira ruoko
achida kundirova ndakavhara
face nemaoko ndikabuda
mumba make ndiri bara
ndakananga kwababa vangu.
Hasha dzaDenny dzaive
dzandirangaridza mafiro
akaita mama. Ndaive
ndichangosvika pamba
ndabva kuchikoro ndikanzwa
vachinetsana nechikomba
chavo kusvika pakurohwa.
Ndakatombochiller ndiri
muroom mangu ndichiti
pamwe kunetsana
kwemazuva ese nekuti
nemurume iyeye vaive
vakabvira kudhara
vachinetsana vogadzirisana,
vorambana vodzokerana asi
pandakaona munhu oramba
achichema ndakaenda
kunobata ndokubva
ndabatanidzirwa zvichinzi,
"kamwana kehure aka!"

Ndakaridza mhere yekuti


vanhu vauye kuzonunura asi
vanhu pavakasvika yanga
yave too late nekuti
muchembere vanga vaibva
nezvibhakera nemabhutsi.
Vanhu vachingosvika
murume uya akabva atiza
mama ndokutakurwa
vakaiswa mutaxi kuti tiende
kuchipatara but vakangoti zii
tisati tasvika kuchipatara isu
tikangoti pamwe kufenda
ndokusvika kuchipatara
zvichinzi vafa.

"Havana kufa mirai nditaure


navo vamuke," ndakadaro
kuna doctor ndokutanga
kuvazungunutsa ndichiti,
"mama! Mama mukai!"
Ndakabatirwana nevanhu
vandaive ndauya navo
kuchipatara kuti ndidzikame
asi zvakaramba kubvumika
kuti mama vatoenda. Vamwe
pavaichema pamariro ndaiti
vangu mai vachadzoka chete
asi musi wekuvigwa
pandakaona vachifushirwa
ndipo ndakaona kuti ndatove
nherera for real.
Ndakachema ndakagara pasi
kumakuva ndokuzosimudzwa
nababa nekuzouya neni
kuno. From there
ndakadzidza kuti
ndikangoona zvibhakera
zvakuda kusimuka ndotiza
nehupenyu hwangu nekuti
munhu aigona kutokuuraya
sekutamba sanaDenny vaive
nemweya dzinovatevera
munhu aipindwa nambuya
vake ndikazongopedzisira
ndave nyaya.

Ndakasvika pamba pedu


ndichingochema apa ndaive
ndakutochema mai vangu
nekuti ndaitofunga kuti dai
vasina kufa ndiri pari nani
ndisingaoneswe nhamo
naDenny namai vake. "Chii
Nyasha?" Vakandibvunza
baba ndokutanga kuchema
ndichiti, "dakuenda kuna
mama vangu!" Aive mashoko
emunhu airwadziwa nekuti
kufa ndanga ndisati ndoda
zvangu.

"Kuna mama kupi?" Munya


akabvunza achindibata
shoulder ndokubva
ndatowedzera kuchema
ndichingoti, "mama kani!"
Munya akandibatsira kupinda
mukitchen achindinyengerera
kuti nditaure
chandaichemera.

"Baba Munya ini regai


ndimhanyire kunobata bhazi
riya ndiende," vakadaro
vachibuda zvikanzi
nababa,"mira
ndikuperekedze.Munya
usare wakamutarisa kusvika
ndadzoka usabve pamba."
Anga atove manheru hahwo
hakuna kwaibuda achienda
Munya asi baba
vakangoraira. "Akuita sei
murume wako?" Akasara
obvunza Munya
ndokusimudzira kuchema.
Ndainyatsovafunga mai
vangu zvekuti ndakatoona
kuti varipo Denny aiswera
avharirwa. Musoro
wakatanga kutema
nekuchema hope ndokubva
dzazongondinyangirawo
ndakadaro.

"Azoti chii?" Ndakavanzwira


kuhope baba vachibvunza
zvikanzi naMunya, "hapana
anga achingochemera mai
vake." Ndakarara kudaro
misodzi yakabva yazara
mumaziso ikatanga kuyerera
futi.
"What's wrong with Denny?
Anoita semunhu kwaye
wani?" Ndakamuka ipapo
ndanzwa voice raGrace.
"Chirega kuchema Mamo
unokuvadza mwana,"
akadaro Grace
akundibhabhadzira. Ndiye
akatombogona
kundidzikamisa nekuti
nditaure zvaive zvaitika
kumba ndikati, "Denny ati
ataura nemi baba mukati
vana tete vave kuuya
kuzonditora." Baba
vakaratidza kukanuka
ndokuzoti, "ndamuonepi
Denny ini?"

"Iye ndizvo zvaandiudza


akati ndakufanira kudzokera
kumba," ndakataura misodzi
ichiyerera zvikanzi
naMunya,"anoshura Denny
nhasi ndaswera nababa
tichigadzira ngarani
vakazobva pano husiku huno
vakuperekedza mama."

"Pamwe haachandide,"
ndakadaro pakashaya
anopindura vanhu
ndokumbochinja nyaya
vakuita zvesadza. Vanhu
vapedza kudya takaenda
kunorara naGrace
achindinyaradza, "haikona
kuchema sewafirwa Nyasha.
Denny anogona kutofunga
kuti akukaurisa asi
asingazive kuti atokugonera
hona apa ukanyora form four
panozobuda maresults
unenge wazvara woenda
kucollege zvevarume izvo
wozoita wave nestart funga
kuti chero ukanzi wapasa uri
kumba kwavo ungaenda
kucollege iwe?" Grace anga
akutofunga zvemberi
whereas ini ndingori
nemubvunzo wekuti saka
ndarambirwei. Paive
andiudza kuti ndidzoke
kumba ataura nababa vangu
ndaitoti hameno
zvavataurirana vakaona zviri
better ndibve pamba pavo
asi pandakatozoona kuti
zvekuti vana tete vauya
kuzonditora dzaive nyambo
dzaDenny ndakatadza
kugadzikana zvachose kubva
ndatoitwa saMai Ishe
vakangorambwa pasina
chikonzero chakati sviki but
apa ndanga ndakunzwa
nyaya dzekuti vakarara
nababa vaDenny hameno
kana chaive chokwadi. Ini
ndaive ndisina kana
chandakanganisa ndongonzi,
"pack yours and go."

Week rakasvika pakupera


Denny asina kuuya kumba
kwedu kuzotsanangura
zvaive aita ndikatozonzwa
nemakuhwa kuti
ndakarambwa. Ndakamboda
kutoenda kumba kwavo
kunonzwisisa kuti zvaifamba
sei Grace nababa
vakandirambidza. Musi iwoyo
wandaida kuenda kumba
kwavo Denny akabva asvika
pamba nemunyai ndikafunga
kuti auya kuzokumbira
ruregerero izvo kwani munhu
atouya kuzondiramba
officially negupuro reten
bond. Sezvineiwo hama
dzangu dzakazvigamuchira
pasina kubvunza zvikonzero
nekuti baba naGrace vanga
vagara vatoronga kuti chero
Denny akauya kuzonditora
vanga vasingandidzosere.
Chinangwa chavo chaingove
chekuti ndichiita zvechikoro
asi nyaya yekuzogara
nemwana pasina baba ndiyo
yanga ndisingade nekuti
ndaiziva kurwadza kwazvo
semunhu akakura asina
baba asi ndichiziva kuti
varipo above all Denny
wacho ndanga ndichiri
kumuda. Rimwe week
rakapfuura ndatove
murambiwa ndokuzonzwa
mama vachitaura naGrace
vachiti, "kuti ndizvo
zvaakarambira Nyasha asi
asadaro Denny."

"I'm not sure ndangoudzwa


nababa Tara kuti Mai Ishe
vatove netwo days vari
pamba ndisingazive kuti
vakavinga kuzoona mwana
kana kuti Denny?" Akadaro
Grace zvikanzi, "kuvinga
kuzoona mwana vanhu
vanogara muraini rimwe
chete?"

"Hameno ndichatonzwa
nababa Tara kuti chii chiri
kunyatsoitika," akadaro
Grace ndokunyarara
vandiona. Iye Grace ndanga
ndisingachanzwisise
kakuwirirana kake nababa
Tara. Yes anga ari munhu
anongodidikika zvekuti chero
mama pavakadzoka ndivo
vakatotaura zvekuti auye
kumba tigare naye sezvo
aizoshandira mahara
achigara kwaNyika
nemarentals. Baba Tara
ndivo vaimuperekedza
kubasa every morning
zvekuti ndaingoti, "itsitsi dzei
tsvimborume kubvisa mwana
wemvana madzihwa?"

"Nhaiwe kwaMado ndekupi?"


Akabvunza Grace makuseni
achigadzirira kuenda kubasa
ndikati, "kuroad uko
kunokwirirwa mota."

"Zvino ndoziva kuti


ndosvikako sei? Dione ati
akandimirira ikoko," akadaro
ndikati, "ko adii
kungokumirira pambuya
Zvoto paanosikutorera."

"Hanzi vanhu vekumba


kwavo vave kutomunetsa
nenyaya yangu vachiti
anowiriranira chii nehama
yaMamoyo," paakadaro
ndakaseka ndichiti,
"nonsense dzevanhu rega
ndikuperekedze." Takabuda
tese ndokubva ndati tigurire
nepamba paMai Ishe tikasire
kusvika asi ndakazodemba
kuti dai ndatora nzira
yekutenderera ndaona
Denny achibuda mubedroom
yaMai Ishe akapfeka kashort
achizvitwasanudza
nekushama n'ai zvaita
achangomuka. Akashamisika
ationa ndokutopinda mumba
achivhara door.
Ndakashamisika zvekutadza
kusimudza gumbo kuti
tienderere mberi nerwendo
ndikatoita zvekudhonzwa
naGrace achiti, "Mai Ishe avo
haikona kuita semunhu ari
kurwadziwa nanhingi."

Ndakatarisa mberi ndokuona


Mai Ishe vachiuya
vakasenga bucket remvura
vachiimba song iya yekuti,
"makatendeka Jesu."

"Hevozve nhai Nyasha!"


Vakandikwazisa nemufaro
wakapfurikidza vakavirwa
naGrace ini kwakutanga
kufamba. "Baba Ishe
chimukai kani zuva rakwira
iri!" Ndakavanzwa
vachimutsa Denny nevoice
rekuti ndivanzwe and I was
like, "may God blast you
Denny."

End of chapter
19...ngatisanganei kusubgrp

On Sale

Mamoyo
Written By Rue M
0788357900

Chapter 20
Nyasha

Ndakangosiya Grace
paMado ndokudzoka kumba
asi ndakatoenda neroad
yekutenderera kuavoider
kuona Denny pamba paMai
Ishe asi ndakabva
ndadhumhana naye
pagoronga. Ndakaita
sendisina kumuona
ndokumupfuura zvikanzi,
"Mamoyo!" Ndakaramba
ndakaomesa gotsi ndichiita
sendisingazvinzwe
ndokunzwa akunditevera.
"Haundizive zvakanaka,"
ndakadaro nechemumoyo
ndokutanga kumhanya.
"Mamoyo ita serious iwe,"
akadaro nevoice rakazara
setswa ndokuramba
ndichimhanya but handina
kwandakasvika ndanzwa
sharp pain kumusana. "Ahh,"
ndakadaro ndichikotama
Denny kwakuzosvika
pandaive. "Mamo?" Akadaro
ndikasimudza musoro
ndichiti, "mwamwo mwamwo
chii chacho? Ndonzi Nyasha
Moyo," ndakataura
ndichirova ruoko rwake
rwaive rwandibata zvikanzi,
"horaiti Nyasha Moyo."

"Uri kudei?" Ndakabvunza


ndamira zvakanaka sezvo
kapain kaya kanga kaenda.
"Zvawaona hazvisi zvauri
kufunga," akadaro
ndikachenama
ndakamutarisa ndichitotadza
kunzwisisa zvaaida kutaura.
"Wati kudini?" Ndakabvunza
chimutarisa kuface kwakubva
andibata mashoulder
ndikabvisa mazioko ake
zvine simba ndichiti, "siyana
neni handisi mukadzi wako
ini."

"Uri mukadzi wani saka?"


Akabvunza achiswedera
pandiri ini ndichidzokera
kumusure kusvika ndaroreva
pamuti ndikarwadziwa
zvandisina kuvanza kuna
Denny uyo akandiseka. "Chii
chinosekesa ipapa?"
Ndakabvunza ndiri serious
zvikanzi, "ndakusuwa babe."
Ndakamutarisa neziso rekuti
dzirimo?

"Truly speaking Mamo


ndonyatsonzwa kuti pandiri
pane chakashota chero
ndikadya handiguti kuzama
kurara hope hadzibate
ndakusuwa kamunhu
kangu," ndakashatisa face
nekunzi kamunhu kake anga
ambotanga nyaya yake
zvakanaka fani. "Izvozvo
zvinei neni manje? Waifunga
kuti ndichakutsvaga? Manje
wakalumila shamwari,"
ndakataura ndichibva paari
ndokubva andidhonza achiti,
"there's nothing going on
between Mai Ishe and..."
Ndakamukata asati apedza
kutaura ndichiti, "who cares
Denny? It's your life ita
zvaunoda and leave me
alone." Akaseka ndadaro
zvikanzi, "you look cute kana
uchipopota." Ndaridza
tsamwa ndichiti, "saka?"

"Chimbomira
kundichenamira ndikuudze
zviri kuitika," akataura
andibata maoko ese
ndokumuti, "enda unoudza
Mai Ishe."

"Mamoyo ita semunhu


mukuru," akadaro ari serious
ndikati, "that's impossible."

"Uri kuda kunditsamwisaka


manje nhasi
handimbotsamwe Mamo,"
ndakatura mafemo adaro
ndokuti, "taura nyaya yako
tinzwe."

"Now you're talking babe,"


akadaro achitarisa maside
ndokuzoti, "the other day
pandakabva pamba manheru
ndaida kuenda
kwamadzibaba but then
ndakasvika madzibaba vaya
vafa. I guess maiguru Grace
vakakuudza kuti vakandiona
that day, so ndichibva
pamadzibaba ndaka..."
Haana kuzopedzisa zvaida
kutaura aona Mai Denny
vachibudikira nekumusoro.
"Ndichakutsvaga babe,"
akadaro nekutodzokera
kumasure achitiza mai vake
vanga vasati vamuona.

"Chii chikaitika musi uya?"


Ndakasara ndozvibvunza
Denny aenda kusvika Mai
Denny vasvika pandiri.
"Hezvo muroora," vakadaro
vachindirova maoko
zvinorwadza ndikati, "muri
sei henyu?"

"Ndizvo zvauchabvunza here


muroora ini ndofarazve
hameno iwe nechana
chako?" Vakapindura
vachigara pachitsiga chaive
paside peroad ndikati, "ini
nemwana titori bho."
Ndakataura ndichifamba
zvikanzi, "ganza hako
zvichipera pachatanga
kuonekwa chitumbu ichocho.
Waiti haubviri hezvo nhasi
uripi?" Pavakadaro
ndakamira ndikati, "ndiri
kumba kwedu and
ndakagara zvakanaka
chaizvo pamba penyu
ndakatozobva netya kubatwa
chibharo nemurume wenyu
anoitwa seakakweshwa
nhova nechinhu
asingachanyare kana kuti
uyu muroora." Ndapedza
kudaro ndakafamba
ndichizvitutumadza semunhu
ainyatsonzwa maari kuti
apedzera Mai Denny.
Ndanga ndisisiri muroora
wavo saka kuvatuka kwanga
kusingachatyise.

"Hakana kana kukwana


kamwana aka," vakataura
vega ndokubva ndamira
ndikavatarisa rumwe ruoko
rwakabata muchiuno
rwumwe
rwuchivanongedzera apa
rimwe gumbo richirova rova
pasi ndichiti, "mutsiure
murume wenyu asiyane
nevaroora. Zvisekeruku
zvezera rake zviri kuita basa
rekuteya mheni iye sona
sona nevaroora haanyare
akaita sei chaizvo?" Ndadaro
chero kumba ndakasvika
nemufaro. Kunyatsonzwa
kuti ndahwinha 10-0. Kunzwa
mandiri kuti ndaita
zvisingabviri ko handiti ndiri
kumba kwavo
ndaingovatukira mumoyo.
Zuva richivira Grace adzoka
kumba ndakamuudza zvaive
zvataurwa naDenny
nezvandaive ndaita mai vake
zvikanzi,
"usatombonyengereke zvako
pana Denny kana uchida
nezvake hatikurambidze asi
uchaita izvozvo after college
toona kuti anenge achiri
akakumurira here ipapo?"
Grace ndaitoona kuti
zvaDenny anga
asingachatode kuita sekuti
ndiye akarambwa.

"Dione ati anondida,"


akachinja nyaya achidaro
ndikati, "siyana naye zvako
unoda kuita muroora waMai
Denny kuti wadii apa munhu
ane mwana wake. Unomudii
mukorokoza uya nezvauri?
Vakomana hauvaone Grace?
Usade kurasika iwe,"
ndakadaro ndiri serious
zvikanzi, "Denny wani
mwana waMai Denny plus
ane mwana? Zvekuti
mukorokoza hazvina basa
sha makorokoza ndiwo ane
mari."

"Wakangochiva mota yake


chete and Dione akakuroora
anokusiya pamba odzokera
kuShurugwi iwe wotanga
kuita zvisina basa nababa
vake." Aitoona sekuti ndiri
kuita majokes Grace ndokuti,
"ini ndave munhu mukuru
Nyasha ndasiyana newe
wakaenda kumarriage
uchidzingirirwa nedemo."

"Ini ndakatodzoka
kumarriage kwacho iwe kana
wada zvekuenda kumarriage
zviri nani uende kumwe
kwete kwaMai Denny,"
ndakadaro zvikanzi, "say that
to yourself because ndiwe uri
kuda kudzokera kwaMai
Denny."

"Ndamboti ndiri kuda


kudzokera kwaMai Denny?"
Ndakabvunza ndakasunga
face zvikanzi, "kusekerera
kwaunoita Denny
kunoratidza kuti uchiri kuda
nezvekumba kwavo."

"Iwe Grace haikona kungondi


judger pese pese,"
ndakataura
ndichinyepedzera kutsamwa
zvikanzi, "ehe as long ndiri
pano kwana Denny
haudzokere. Kana
watodzokera unenge
wakuenda kubasa because
as long uchiswera navo
munorumana chete plus
mastatement aya ekuti kudya
mari yemwana wavo anenge
apera nekuti unenge
wakuhora. Do you know
muroora ane something
pamba anoremekedzwa
kudarika anongomirira
murume pazvese..." Hope
dzaisvika pakubata kana
Grace atanga nyaya dzake
dzekuti mukadzi anofanira
kuzvimirira.

"Right now unofanira


kufunga nezvechikoro
nemwana wako zvevarume
wosiyana nazvo," vakapinda
mumba vachidarowo baba
nechemumoyo ndikati,
"varume vanganiko veduwe?
Denny chete iyeye ndiye
wamakutondipa mbiri
yevarume naye?"

Vakandisiira maquestion
paper baba musoro ukatanga
kutenderera ndakamatarisa
but pandakafunga mashoko
aGrace ndakawana energy
ndokubata bepa ndichismiler
nechemumoyo ndichiti,
"ndikangopasa ndoenda
kunursing chete
ndozoshandira muno
ndotanga kudadira Mai
Denny vauya kuzotora
mapiritsi eAIDS neBP
kuchipatara. Ndaive
ndakutozviona ndakapfeka
uniform yenursing kare so
zvenursing zvakandipa
simba. Pandakapedza
nequestion paper Grace
anga aenda kukitchen
kunotandara nevamwe
vachidya saka ndakati regai
ndiendewo ndichibuda
mumba maitairara kwakuona
kwakupotsa ndatemwa
nedombo. Ndakatarisa
kwaibva dombo ndokuona ari
Denny paakaona kuti
ndamuona akabvi aita sign
yekundidana kwaive. Ndisati
ndatofunga zvekuita baba
vakabva vabuda mukitchen
vachiti, "ndiyaniko akamira
uko?"

End of chapter
On Sale

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 21

Nyasha
Ndairongedza zvinhu zvangu
zvishoma nezvishoma
nekutya kudzokera kumusha.
Hapana chimwe chaindityisa
kunze kwaDenny nekuti
ndaisaziva kuti akasara
akadii. Tinashe ndiye
aitoshaya pekubata
nemufaro wekuda kunoona
vamwe kumba. Atoona kuti
mai vake vari kuita
zvekunonozera akatanga
kundibatsira chero hembe
dzaingopfekerwa. Tapedza
takenda kunooneka landlord.

"Manje uchatamba nani


kumusha wasiya vanaNono
kuno?" Vakadaro Mai Nono,
landlord vangu zvikanzi,
"notamba nadad vangu
naMamo, hanika Mamo?"
Ndakangogutsirira musoro
while faking a smile nekuti
zvaitaura zvaive zviroto. Dad
vake vacho vaisatoziva kuti
kuna Tinashe. Grace
achisvika takaisa zvinhu
zvedu mumota yake
kwakurova pasi.

"How's Denny?"
Ndakabvunza ndiri serious
zvikanzi, "kwakanaka hako?"
Ndisati ndapindura
ndakatarisa Tinashe
ndokuona atokotsira ndikati,
"ehe kwakanaka."

"Kutaura chokwadi Nyasha


unosembura after all these
four years uchiri kungofunga
Denny?" Anga atotanga
Grace saka ndakatoona kuti
kumugura musser uya usati
warebesa better. "Is it
possible kuti ndikanganwe
Denny ndine mwana wake.
Day and night Tinashe
anenge achingobvunza dad
vake."

"It's not like Dennis anoziva


kuti une mwana," kutotaura
akarova serious ndokubva
ndamuti, "be serious Grace.
Apa hatisi kutaura
nezvaDenny but zvaTinashe.
Ipapa mufaro wese waanawo
ndeekuona baba vake."

"Nyashaka saka unoenda sei


naye kunaDenny kwacho.
Handiti wakaudza Denny kuti
wakaita miscarriage so what
will you tell him now?"

"Handiti zvemiscarriage
yaive idea yako asi kana
Tinashe akabvunza
nezvadad vake haundibatsire
kunyepa you know?"
Akadzungudza musoro
pandakadaro ndokumuti,
"paya mainditonga as i was
vulnerable but from now
onwards ndoita zvandinoda."

"Hezvo kasi takutonetsana?"


Akabvunza Grace voice rati
kwirei ndokubva ndaramba
ndakanyarara ndichitarisa
kuside. "Dai Denny wacho
achikuda sezvaunomuita
better. Look at you four years
dzese hauna kana kuita
move on," anga ave
kunditsvaga manje saka
akandiwana ndokumuti,
"Grace ini naDenny tine
nemwana tasiyana newe
naDione. Hamuna kana
kurara mese so it was easy
for you to move on plus
hauna mwana anokubvunza
kuti dad varipi. If you can't
help at least usawedzere
maproblem angu." Kubva
ipapo hatina kuzotaura
kusvika tasvika paMado
pakamuka Tinashe.

"Tashika mama?" Akadaro


achindibata mashoulder.
"Tasvika baby,"
ndakamudaro
ndichimupukuta masiriri.
Akatanga kuita nyaya
naGrace ini ndichitarisa
nzvimbo. Ndaive ndarovera
kuMasvingo semunhu
akaenda Joni.

"Tarisa kumberi Nyasha,"


akadaro Grace
ndichingosimudza musoro
ndokuona Mai Denny. Vanga
vawedzera kusimba apa
vachitofamba necrutch
nechemumoyo ndikati, "inga
vakarombera zviripo."
Takavapfuura vasina kutiona
ndokusvika pamba patori
nenoise mama vachipopota.
Panga patori nevanhu
vakawanda zvekuti
ndakaona kuti ndikabuda
mumota naTinashe shoko
rinoswera rasvika
kunaDenny kuti ndadzoka
nekamwana. Iyewo Tinashe
haana kuita nharo nekuda
kwekutya imbwa.
Patakabuda mumota
attention yakamboiswa patiri
but in no time mama vakabva
vati kwandiri, "iwe Nyasha
unoziva hunhu hwaRudo
zvinoita kuti Aire muroora
wangu munhu akarara
neraini rese pamusoro pazvo
mbuya vake vanoroya.
Munya kuda kutondibata
kumeso achiti ndiye akabvisa
humhandara what what.
Hazvishamiswe kuti anenge
akatogadzirwa nambuya
vake kuti aite mhandara futi."

Handina kuvapindura sezvo


vanga vakutotaura zvimwe.
Ndakadzokera mumota
kunogara nemwana wangu
kusvika vanhu vaenda
ndokuzobuda naye mumota
ndakamusimudza nekuti
aisatoda kutsika pasi nekutya
imbwa.

"Dad vayipi?" Akabvunza


tichingopinda mumba
zvikanzi, "vaenda kubasa."

"Sure Mamo?" Akabvunza


akanditarisa mumaziso
ndokubva ndamuhugger
ndichitura mafemo zvikanzi,
"hande ikoko Mama."

"Mai vanombonzi mama


vonzi Mamo, zvaTinashe
futi?" Vakadaro baba
vachiseka ndikati, "ainzwa
Mai Nono vachiti Mamo."

Zuva rakazosvika pakudoka


Tinashe asati aona baba and
I could see that he was
getting impatient apa hapana
aida kundiudzawo
nezvaDenny. Ndaive
ndakapedzisira kumuona
musi uya waaive auya
achinditaimira manheru.
Akaonekwa nababa akabva
pamba achidzingirirwa. The
following day racho
ndokubva ndaendeswa
kuMasvingo kwatete uko
kwandakangogara kusvika
Tinashe ave nethree months
nekuti kuwirirana kwacho
kwaive kushoma.
Ndakatsvagirwa imba
naGrace pamba paMai Nono
vaaimboshanda navo
kwaNyika. Pandakazotanga
kuenda kunursing mwana
aisara nemusikana webasa
anga ari hama yaMai Nono.
Grace nababa ndivo
vaisangana pakati
pakubhadhara mari dzacho
dzaidiwa kuchikoro
nekumba. Ndiri kuMasvingo
hapana akada kundiudza
nezvaDenny uye ini handina
kuzvitsvaga ndega nekutya
kuti ndozonzwa kuti akugara
naMai Ishe. Kuti nditi Denny
ndanga ndichiri kumud
ndinganyepa asi kungonzwa
kuti munhu
waakambodanana naye
akatoita move on before you
kwaingorwadza.

"Takuendepi futi?"
Ndakabvunza Tinashe aive
andikandira mapumps iye
achipfeka matennis.
"KunaMai Denny?" Akadaro
hana ikarova ndikashaya kuti
azvinzwepi zvaMai Denny.

"Kunodii ikoko?"
Ndakabvunza zvikanzi,
"hanzi nagogo ndiye ana dad
vangu. Hande
tinomutoya(ra)."

"Toenda mangwana
kwachena," pandakadaro
akandisungira face
kwakunditema netennis
akabuda mumba
achimhanya ndokudzoka
kwandiri achichema aona
imbwa. Ndakamusimudza
ndikatanga kumunyararidza
pakabuda mama mukitchen
ndikati, "chokwadi mama
mungaudza Tinashe zvaMai
Denny?"

"Handi ndivo mbuya vake


here?" Vakataura nehasha
ndikaziva kuti istress
dzaRudo dzavave kuda
kupedzera pandiri nemwana
wangu. "Hande hako,"
akadaro Tinashe amira
kuchema. Grace nababa
vanga vakangonyarara
ndokungoti better
ndinozvionera Denny wacho.
Ko handiti tanga
tisingadzokerane asi kuti
azivane nemwana wake
chete. Ndakatora towel
ndikabereka Tinashe
kwakuchienda kwaMai
Denny. Ndichitoshaya kuti
ndosvika ndichiti chii pamba
pavo. Kubatwa neconfusion
yefirst day randatizira Denny.

"Tishikewo," akadaro
Tinashe ndokubva ndazoti,
"tisvikewo." Ndakangoringa
ringa imbwa dziya dzaisirura
ndikashaya one. "Svikai!"
Ndakanzwa Mai Denny
vachidaro ndokubva
ndazvishingisa kufamba
ndichienda kumukova kedu
Tinashe kakamhanya
kachipinda mukitchen kachiti,
"dad vangu vayipi?" Dai
Tinashe aisava mwana
wangu ndaigona kumutiza
ipapo nekuti kutya kwandaive
nako nguva yacho
kwaikunda ngoma kurira.

"Taizviziva hedu kuti


muchauya. Ko waiti
unosvikepi uchichengeta
mwana wedu. Mai vako
pavakandiudza
ndakatovaudza kuti achauya
ega Mamoyo. Unoti
kuchengeta mwana uri wega
kuri nyore here."
Ndakapererwa nazvo kuti
ndaiti ndakachengeta secret
ivo Mai Denny vachiiziva.

"Nemiwo mhai maitoziva kuti


Mamoyo ane mwana?"
Akapinda mumba achidaro
Denny. Haana kuda kana
kunditarisa. Tinashe anga
atove neconfusion kutoshaya
kuti zvakufamba sei.

"Ndokumbirawo kutaura
newe Denny," ndakataura
nevoice riri calm zvikanzi,
"Nyashakaa?" Ndakademba
chandaive ndaitira dzungu
rekuuya naTinashe. Iye
mufaro wese wekuda kuona
baba wakabva wapera kuti
tsvai ndokuti nama pandiri
akuti, "hande kumba." Denny
amutora ndokumusimudza
akamboita kakutya nekuti
Denny anga apinda mumba
nehasha. Tinashe dad vake
aivaziva sezvo ndaimuratidza
maphoto. Takabuda mumba
tiri vatatu tichienda
kubedroom.

"Dad?" Akataura asiri sure


Tinashe zvikanzi
naDenny,"yes my angel."
Ndakaseka ndakatarisa
kuside nekuti zvaingove
funny kunzwa Denny
achidaro zviri sweet
nechirungu.

"You'll never grow up, will


you?" Akandidaro
achindikava ndokubva
ndasimuka ndichiti, "takuonai
takumboenda isu."

"Nyasha?" Akadaro Denny


akaita kakukanuka face
ndikati, "hee?"

"Tatoona here ipapa?"


Akabvunza Denny ndikati,
"saka apa hausi kutondiona?
Une zvimwe zvauri kuda
kuona?"

"Kutaurisa chete, enda hako


mwana wangu hapana
kwaachaenda," mwana
wacho kubva aita mawara
akati, "bye bye mama."
Ndakatanga kufamba
ndichiita sendakuenda
ndikanzwa kamunhu kakuti,
"miya mama." Ndakacheuka
ndikatoona munhu
akutogwisa kuti abve
mumaoko aDenny. Denny
amuregedza ndokuya pandiri
tikabuda tese.

"Ko uchaendepizve nhai


muroora? Wadii wangogara
wapepa murume wako,
haana kukuudza kuti ave
murwere?" Vakadaro Mai
Denny ndikatarisa Denny
wacho ainzi anoda kupepiwa
aive akatozvisimbira.

"Kasi haana kukuudza kuti


ave muchirongwa?"
Mubvunzo waMai Denny
wakandipedza simba
ndikangoti, "hoo?"

End of chapter
On Sale
Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 22
Dennis

Mamwe maitiro amai


aigumburisa, pamusoro
pekusandiudza kuti vaiziva
kuti Mamoyo ane mwana
vakabva vanyepa kuti ndiri
muchirongwa. "Chirongwa
chei?" Akabvunza Mamoyo
akatarisa in as if ndini ndaive
ndataura izvozvo. "Chimwe
chirongwa chaunoziva
ndechei nhai Mai Tinashe?
Zvauri munhu wemukoti
wani?" Ndakada kuvavhara
face nechibhakera vadaro
Mamoyo ndokuti,
"makazobudirira kumuzora?"

"Kumuzoro chii?"
Vakabvunza Mamoyo akati,
"icho chirwere chamakabva
nacho kwasabhuku mukati
hamungakabire mega."
Ndakatoshaya kuti zvaibvepi
zvaaitaura ndokungomusiya
apedza kutaura akabva
atanga kufamba ndikati,
"Mamoyo handina chirwere
ini."

"Ko zvinei neni izvozvo!"


Akapindura akatsamwa
ndokubva ndati regai
ndimutevere nekuti aigona
kungomuka adzokera
Harare.
"Denny nyaraiwo mwana
please," akadaro Mamoyo
achibereka Tinashe
ndokumuti, "ndipe
ndimubate."

"Wakuda kumubata nhasi


nekuti akura?" Akabvunza
nehasha ndikati,
"ndakamboramba kumubata
kana kuti ndiwe wakanyepa
kuti wakaita miscarriage?"

"Wambozvibvunza kuti chii


chakaita kuti ndinyepe?
Firstly wakandidzinga
sembwa pamba penyu
wozoda kubvunza kuti
mwana mwana. Mwana
wausina kutengera kana
sock zvaro," hasha dzacho
ndaishaya kuti dzaibva pai
ndikazongozviudza kuti
pamwe kukura kwaive
kwamuchinja hunhu. Iye
anga amboti ndinyare
mwana asi anga ave kutaura
zvisina basa mwana wacho
akaterera.

"Waida kuti nditenge masock


emwana wawakati akafa
here? Mamoyo be
considerate," kuzongodaro
chete ndakaita sendadenha
nyuchi. Akaburutsa mwana
zvikanzi, "problem yako iri
pai chaizvo Dennis?
Wakandiramba ndisina kana
chandakakutadzirai
ndikabvuma kurambwa
ndikaenda kure newe apa
ndanga ndangouya pamba
penyu kuti Tinashe akuone
wakuda kutonditokonya
neAIDS dzako enda
unoshungurudza vakakupa
AIDS idzodzo. Ukutotadza
kufunga nekuda kwevirus
yakazara mauri."

"Mamoyo wakuzviwanza
virus ipi yandinayo? Apa
wakutoita sevictim asi
anofanira kutsamwa ndini
nekunyepa kuti wakaita
miscarriage," ndakapindura
ndichibata Tinashe ruoko
zvikanzi, "siya mwana wangu
iwe." Tinashe wacho
aingotitarisa achishaya kuti
zviri kufamba.

"Ndazobata pane nyaya yako


Mamo wasvika pamba
zvakanaka asi pazotaurwa
zvechirongwa wabva
watokwindimara.Are you
jealous?" Ndakadaro
akasekera svoto achiti, "ini
kuita jealous?"

"Uri kutobatikana nekuti uri


kufunga kuti ndakasara
ndichipinda pinda,"
ndakataura zvekuda
kumunzwa akaseka chikwe.

"Are you insane?


Ndingarwadziwa nekuti wave
pachirongwa? Above all
murume wen'anga
akambopinda pinda kupi? By
the way vari sei mbuya
vako?" Ndaive ndisina
kutarisira kuti ndiko
kwazvaizosvika saka chero
simba rekuramba
ndichivaperekedza rakabva
rapera ndokuti, "bye bye
Tina." Ati fambe fambe
Mamoyo ndokumira achiti,
"saka makatodzokerana
naMai Ishe?"

"Tozotaura mangwana
Nyasha, uri kudzokera rini
kuHarare?" Ndakabvunza
ndakuenda kwaari akati,
"kuHarare?"

"Hausi kudzokera here?"


Ndakabvunza zvikanzi,
"ndoenda kuHarare kunodii
ndanga ndiri kuMasvingo
ini?" Ndakatura mafemo
ekupererwa ndokuzoti, "hoo
ndakanzwa kuti uri kuHarare
so kuMasvingo kwacho uri
kudzokera rini?"

"Hezvo ndatokubhowa
zvekuti hauchade kundiona
muno? Bva enda
kwasabhuku unondidzingisa
muvillage macho,"
kunzwisisa kwaNyasha
kwanga kwave kushomana
asi ndakangomupfavira
zvakadaro ndokuti, "ndanga
ndichida kungoziva semunhu
ari kuda kuita bond
nemwana."

"Handisi kudzokera
ndakawanirwa basa
kuchipatara kwaNegovani
ndiri kutotanga this Monday,"
akadaro ndikati, "oh that's
great makorokoto."

"Ehe ndeangu," paakadaro


ndakaseka ndisingade
ndokuzongomusvitsa pagate
rekumba kwavo nekuti
nababa vake tanga
tarimirana kumuganhu saka
kuti ndipinde zvaisaita
Ndakadzokera kumba
ndichifunga mashoko
ekutaura nawo namai.

"Ndozviziva kuti kungouya


kwaMamoyo tave
kutonetsana hauone kuti
angoripo pakutipesanisa?
Kubva zvaakaenda
takambonetsana here?"
Vakatanga kutaura ndisati
ndavabvunza nyaya yavo
mai. "Ndakakuudzai wani kuti
Nyasha handichamude ko
kuzorega kutaura kuti kune
mwana ndokudii mhai?"
Ndakavabvunza zvikanzi,
"nhaiwe Dennis sei uchiita
semunhu asina kuenda
kuchikoro. Kamwana kaya
kawaona nhasi wakutoti
ndekako? Akafanana chii
newe chinoratidza kuti
mwana wako?"
"Tinashe anofanana neni
seiko ari musikana uye
zvekufanana zvine basa rei?
Kana anga asiri mwana
wangu manga muchiudzirei
Nyasha kuti makazvitaura
kuti achadzoka atambura
nemwana?" Ndakataura
ndakatsamwa zvikanzi,
"Mwari chete ndiye anoziva
kuti Mamoyo akakupei
chaizvo chekuti ukamuona
unobatwa neconfusion
yekuda kutodzokerana naye?
Unoita sekuti pfungwa dzako
dziri mupitikoti yaMamoyo."

"Nhasi hatisi kutaura


zvaNyasha tiri kutaura
zvemwana wangu,"
ndichingopedza kudaro
vakati, "ndizvo
zvandamboreva paya kuti
kuuya kwaMamoyo pano
potoshaya rugare."

"Imi ndimi munoshaisa


pamba pano ruragare
nekuda kwenhema dzenyu
ndogara ndichikupai mukana
mhai asi munozvikanyira
mega," ndakataura
ndichibuda zvikanzi, "dai uri
umwe uchitonditenda nekuti
dai Mamoyo akaramba ari
pano tichitaura zvimwe."
"Kukutendai nekuromba
kwenyu kwamakaita?"
Ndakabvunza nehasha
zvikanzi, "nzvera mashoko
ako Denny."

"Zvino Tina ari kuzogara


pano," ndakadaro zvikanzi,
"kugara pamba pani kana
wada zvaMamoyo nemwana
wake mobva pano."
"Tagara tichabva hedu
musaware," ndakakaruka
ndataura zvandaisafanira
kutaura zvikanzi, "saka uchiri
kuda Mamoyo?"

"Zvekuda Nyasha hazvinei


nezvatiri kutaura asi ndiri
kutokuudzai kuti
handingambogare ndisina
mwana wangu." Neiwaya
mashoko ndakabva
ndanorara ndave kufunga
kuti Nyasha ndaimutanga
ndichiti chii kuti
anyatsonzwisisa kuti
kumuramba paya ndiyo
yaitove best option.

Musi uya ndakati ndichibva


kwaNyika ndakaenda kune
umwe muporofita
wekwaMudzami wandaive
ndanzwa kuti nyaya
dzekuromba romba ndidzo
dzaigona asi ndakashamiswa
ndasvika paaiporofitira pacho
ndichiona mai naMai Ishe
varipo. Luck enough ndaive
ndasiya mota kumhiri
kweroad saka ivo havana
kundiona. Zvaisamboda
kuudza kuti vaviri vaive
vafambira ini naNyasha asi
ndaive ndakutoziva kuti on
the other side mai vari
kushandisa Mai Ishe
semunhu anga asingade
varoora. Mweya
wekubatsirwa namadzibaba
vaya wakabva watopera
ndokudzokera kumota
nekapasango kuti
vasandione ndokubva
ndaona huku yeblack
yairatidza kuti
ichangourayiwa. Panzvimbo
ipapo pairatidza kuti ndipo
panoitirwa mhiko
namadzibaba vaya nekuda
kwezvimbiya zvanga
zvakaputsirwapo plus hembe
dzevanhu. Ndakatotarisa
tarisa pahembe dzaive
dzakasungwa sungwa
ndichida kuona kuti yangu
hapanawo here but to my
surprise ndakaona pant
raNyasha rakasungirirwa
pakamuti. Ndaitoriziva sezvo
taive takaritenga tese the
previous day pataive taenda
kwaNyika tikadzoka
naGrace. Nyasha
akatoripfeka tasvika kumba
achitenderera mubedroom
achiti rakamufita
ndichitomuseka so probably
raive rabiwa namai pawaya
nekuti Nyasha ainika panze
though aizovhara netowel.
There was no way
pandairisiya pakamuti ikako
saka ndakaritora ndikariisa
muhomwe chero ndaiita
sendichadonha nekubvunda
nefear, kungotya kuti
ndogona kungoomerapo.

Ndakabva pakasango
ndichimhanya ndokuona
Tawanda akamira pamota
yangu. Aive akutozviti
Prophet Tawanda but
semunhu wandakadzidza
naye zvaingondiitira funny
kuti angatoporofita
nekuoneswa naMwari
chaiye. Mupfungwa dzangu
ndaingoti akajoiner squad
yemamwe maprophet
yekudyira vatendi mari.
Akatanga kundiporofita
nechirungu ndichisekera
mudumbu kuti munhu
wandaikopesa muclass
akutoda kundiremera
nechirungu. Paakazotaura
zvekuona deathday
raNyasha ndipo
pandakazomutora serious.
Aiti pane vanhu vaida kuti
Nyasha atange aita
miscarriage ozorwara
kusvika pakufa zvongonzi
kubva kwenhumbu ndiko
kwakonzera kuti rufu. Akada
kunamata achiita back to
sender ndikakasira
kumumisa nekuti paigona
kuzofa mai nemwana
zvoreva kuti chero ini
ndaigona kufa kana kuti Mai
Ishe naIshe so back to
sender was not an option.
Semunhu waMwari
ndakamuti anditsvagire
solution pasina zvekuurayisa
vanhu ndipo paakati
hapasisina time so
kudzosera Nyasha kumba
kwavo for the meantime
togadzirisa musha asipo
tozomutora zvinhu zvave
settled nekuti as long as
Mamoyo aripo hondo yacho
yainetsa kukunda kana
tisingaite back to sender
ndipo pandakadzosera
Nyasha.
Mai naMai Ishe vaona
ndadzosera Nyasha
vakafunga kuti zvimhiko
zvavo zvashanda ndokubva
Mai Ishe vatouya pamba
nekuda kuvaavoider
ndakabva ndatanga kurara
kumba kwavo naIshe saka
zvakazongoendawo
nepamwe ndokuonekwa
naNyasha ndiri pamba pavo
makuseni akangoconcluder
kuti ndakadzokerana naMai
Ishe munhu kwakutoenda
pasina kunzwa side
rangu.Pandakada kubvunza
Grace nezvaNyasha akabva
ati ave kugara kuHarare
kukumbira number akaramba
futi apa anga ave kutobatira
grudge kurambana
kwaakaita naDione.
Pandakazomuvinga kepiri
ndichibvunza zvenhumbu
ndipo pandakatauriswa
naNyasha paphone akati
yakabva ndokusiyana nazvo
ndichiti ngaamboita yaanoita
ini ndichigadzirisa chikaranga
chemumusha medu.

"Kuti kwafiwa here?"


Ndakabviswa mundangariro
nevoice raMai Firi. "Nyarara
tinzwe mhere yacho kuti
yakamira sei?" Vakadaro mai
zvikanzi naMai Firi, "ndivo
Mai Munya chete."
Pavakanyarara neniwo
ndakainzwa mhere yacho
ndikatofuga musoro ndichiti
hamenowo noise yemuraini
ndikazvirarira the following
morning ndipo
pandakazoona Nyasha
achiuya naTina achikumbira
kuti ndimutarise sezvo
kumba kwavo kwanga kune
noise isingabetsere nekuda
kwekufa kwaRabbi achiti
vanhu vari kupumhana
huroyi.

End of chapter
On Sale

Mamoyo
Written By Rue M
0788357900

Chapter 23

Nyasha
Ndakasvika kumba vanhu
vasati varara kunze kwababa
ndikatozengurira kunotaura
navo ndichiti ndingavanetse
ndozotaura navo mangwana
but then kungochiller
kwavaive vaita pandakaenda
naTina ndiko kwakazoita kuti
ndifunge kuti
vakanditsamwira ndokuenda
kunotaura navo.

"Pinda Nyasha," vakadavira


ndaknocker padoor ravo
ndokubva ndapinda
ndikasvika vachifemereka.
"Chatanga chipfuva?"
Ndakavabvunza
ndichivatsvagira mapiritsi.
"Ko akaiswa pai mapiritsi
acho?" Ndakadaro
ndichigudubudza zvinhu
zvikanzi, "ndirege ndizorore."

"Mirai ndikupei mapiritsi acho


muzorore ka1 baba,"
ndakadaro ndamawana
ndokubva ndashaya mvura
ndikati, "regai ndinotura
mvura kukitchen." Handina
kuda kumirira mhinduro yavo
ndokufuratira ndichida
kubuda vakandibata ruoko.
"Gara pasi nditaure newe,"
pavakadaro ndakaita nharo
kwakuenda kunotora mvura
asi vakaramba kunwa
mapiritsi ndokubva
ndanyepera kutsamwa
ndichiti, "munoda kuti ndiite
sei kana muchiramba kunwa
mapiritsi? Moziva kuti
handina umwe anomira neni
kunze kwenyu saka
mukandifira ipapa ndoita
sei?" Vakaseka vachiti,
"wakura iko zvino
unokwanisa kuzvimirira huye
Monday iyi unenge
wakushanda zvandaida
zvaita saka ndochizorora
murugare."

"Inharoka idzi baba?"


Ndakadaro ndasimudza cup
yemvura
ndichivagamuchidza
vakaitambira nekuisa paside.
"Apa muri kutemba nekuti
muri baba hamuroveke
handiti?" Ndakabvunza
ndichiseka zvikanzi,
"ndaneta ini Nyasha ndakuda
kuzorora."

"Ndogara ndichikuudzai baba


kuti munonyanya kushanda
asi munhu mutema anoda
kuzozorora kana akurwara
seizvi. Iko nhasi maswera
muchiiteiko?" Vakaseka futi
ndavabvunza zvikanzi, "iko
kuswera kwakarara
kunonetesa futi."

"Zvino makuzorora nekurara


futi?" Ndakabvunza
ndichiseka vakati,
"zvakaoma
haungazvinzwisise. Ati chii
Dennis?" Vakakaruka vawira
kuna Dennis ndikati, "hapana
angoti anoda kubonder
nemwana zvakawanda
tichataura mangwana."

"Heya asi kana mazoda


kudzokerana naDenny
musagara paMhangu,"
vakataura vachiita
sevakubatwa nehope ndikati,
"zvekudzokerana tichiri kure
baba and moziva kuti Denny
pana Mai vake haabve,"
pandakapedza kutaura
izvozvo vanga varara
ndokubva ndadzungudza
musoro ndichiti, "doro
munoriwanza mukuru."
Ndakaradzika musoro wavo
zvakanaka ndokuenda
kukitchen ndiri stress free
ndaona baba vasina
kugumbukira nyaya
yaDenny. Sadza racho
harina kumbopinda
zvakanaka nekuda
kwamama vaipopotera Rudo.
Zvese zvaitika zvaitove
zvinyowani kuna Tina
semunhu anga asina kujaira
noise. Ndakatokasira
kuenda naye kunorara asi
pasina nguva taive tamutswa
nemhere yamama.
Pandakamuka ndichida kuti
inoise yei Tina akandidhonza
semunhu aitya kurara ega.
Ndakamusimudza tikabuda
tese ndipo pandakasvika
mubedroom mababa
matozara vanhu vachichema.
Ndakapinda ndichida
kuonawo chaichema nekuti
ini nemwana wangu
tichemewo sezvo tirisu taive
tisati tatotesa matama.
"Mhosva yangu ndeyei nhai
Mwari?" Ndakaona mama
vachichema
vachizungunutsa baba
ndikaburutsa Tina
ndichinovabata ndichiti,
"can't you see kuti baba vari
kurwara? Varegei vamborara
kani!" Ndakataura nehasha
zvikanzi, "baba vako vafa
kani!" Ndakanonoka kubata
zvavaitaura kusvika
ndazoona kuti vanhu
vaitochema ivo. Ndakabuda
naTina tikanogara
kubedroom Grace
akanditevera.

I could see that aive auya


kuzondinyaradza asi
paakaona ndisati ndatanga
kuchema akabva ashaya
pekutangira. It was hard to
believe kuti Rabbi atoenda.
Ndanga ndisina kukagara
naye nguva yakareba but
nguva shoma iyoyo yatagara
tese, he managed to fulfill all
duties of a good father.

"Mama chemawoka,"
ndikaseka pakadaro Tina but
kuseka ikoko
kwakazopedzisira kwave
kuchema zvinova zvaida
Tana akatanga
kundinyararidza.
Ndakanyararidzwa
ndikakasira kunyarara chero
ndaipota ndichisimudzira.

Kuchiedza ndakaona kuti


better kunopa Denny mwana
aswere naye nekuti violence
yaiitwa pamba pedu anga
asina kuijaira zvachose.
Vanhu vaingopumhana
huroyi sekuziva kwenyu kuti
pafiwa hapashaye anoti
nhingi ndiye asimudza
mhepo chero munhu
akazviuraya hapashaikwe
muroyi.

Zuva ravira ndakaenda


kumba kwaMai Denny
nehembe dzaTina
dzekuchinja sezvo ndanga
ndaona Mai Denny pamariro
vachiratidza kuti vaitorarapo.
Ndanga ndisingachatye kuti
arare kumba kwavo nekuti
panga pasina anomutemera
huroyi. Ndakasvika vari
mubedroom vachiona
macartoon paphone.

"Tina ati ari kurara kuno


handika Tina?" Akadaro
Denny ndapinda Tina
akanditarisa kuti
ndimubvumire. "Ko ini
ndorara nani manje?"
Pandakabvunza vese
vakataurirana kuti, "nesu."

"Mapenzi evanhu,"
ndakadaro ndichigara pabed
ndokutanga kuratidzwa
zvaaive atengerwa. Munhu
kwakutanga kupima hembe
dzese kuti ndione.
Ndakatombokanganwa kuti
ndafirwa ndichismiler
ndakatarisa Tina.

"Ndakazopihwa mumba
nasabhuku saka kana
ukangoti bho ndototanga
kuvaka," akandizevezera
Denny ndikati, "uri kumboti
chii iwe?"

"Mamoyo ndichiri kukuda


shar hona four years dzese
handina kumborora
ndakakumirira?" Akataura
achiswedera padhuze naye
ndikati,"kana wapedza
kubonder naTinashe
ndingachienda naye?"

"Wakuita sei futi Nyasha?"


Akataura achinzwisa tsitsi
ndokuzomuudza kuti ndanga
ndauya nehembe dzemwana
agozhinya sehandbag isina
zip kuri kufarira mwana.
Tinashe anga ave nemufaro
mushoma sezvo aida kuti
ndirare navo asi ndakatoona
kuti ndikamusekerera
angatondiitisa.
Vakandiperekedza kumba
naDenny uyo akati aizouya
kumba kumariro the following
day.

Paakauya kumariro
akatomira mira semukwasha
kwenguva diki ndokuenda
kumwana sezvo anga ave
main priority yake. Mariro
achipera vanhu vakaenda
kudzimba dzavo including
Grace mama kwakuzouya
kwandiri vachiti, "mumvuri
wako hausisipo pano."

Ndakatadza kunzwisisa
zvavaitaura ndokutotarisa
pasi ndichida kuona mumvuri
wangu zvikanzi, "usade
kundiita benzi iwe."

"Ndaita sei?" Ndakabvunza


zvikanzi, "ndati uri kugarirei
pano?"

"Kugarira chii pachii?"


Ndakadaro ndichisimuka
vakati, "handiti wakuenda
kubasa saka wakufanira
kuzvimirira nemwana wako
kana kuti wodzokera
kumurume nekuti pano
handide imwe mitoro baba
vako vaikutarira pano
havasisipo so iwewe
wakufanira kuona
kwekuenda kana kwaNyika
kune vakoma vako."

Ndakatura mafemo
ndokuzoti, "ehoi ndoona
yekutamba."
"Neweekend unofanira
kunge wabva pano,"
pavakadaro
ndakangobvuma. Yaive
nyaya yekuti ndanga ndave
naTinashe pasina izvozvo
taitisana nharo kusvika
kumapena nekuti panga pari
pamba pababa vangu asi
semunhu aimboda kubvisa
nhumbu ndakatotya kuti
vanogona kutoita anything
kuna Tinashe.

Kushata kwazvo kwaNyika


ndiko kwaiwanikwa dzimba
dzekulodger of which kwaive
kuresa nekubasa zvekuti pay
yese yaizongoperera
kutransport but ndakaona
zviri nani kugara naGrace for
the meantime ndichiita plan.
Grace wacho
pandakamutanga akatanga
kutsika tsika achiti akugara
nemuface wake. Haana
kuramba direct but
ndakatoona kuti
nemastatement ake kuti ari
kuda zvekugara neboyfriend
yake.

"Unongouya kumba Nyasha


kana aramba," akadaro
Denny achindidzosera phone
yangu. NaDenny tanga tave
in good books after
anditsanangurira zvaive
zvaitika. Iniwo ndanga
ndamuudza kuti baba vakati
tisagare pamba pavo. Denny
anga akati ndozongobva
pamba takuenda kunew
house.

"Kudzoka kumba Denny?"


Ndakabvunza ndisiri sure
zvikanzi, "that's the only
option babe and inenge
ingori month chete
ndichivaka."
Akandinyengerera Denny
kusvika ndabvuma
ndokutonondikumbira kuna
tete avo vakangobvuma kuti
ndidzokere nekuti vanga
varipwa nembudzi.
Vakandiperekedza vana tete
ndokutondisiya zvakanaka.
Mai Denny kuchingovira
vakaisa 1kg yesalt
yematombo mumvura
vakatanga kumwaya dzimba
dzese hanzi, "ndiri kudzinga
mweya yakaipa
yatishanyira."

End of chapter
On Sale
Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 25
Nyasha

Patakati tipinde mumota


tiende tese kumba makey
emota agoshaikwa. Takaita
batai batai kumatsvaga
kusvika taneta apa
ndainyatsoziva kuti ndamaisa
mudrawer. Taona kuti
tinganonoka takasimuka
nemota yaGrace ini
ndichidriver malover birds ari
kumasure. Tichangobuda
maNyika takabva tamiswa
paroad block ndokubvunzwa
license wanikwe ndaisiya
kumba kwaGrace apa ndiyo
imwe yandaive ndatofambira.
Takanonotswa nezvinhu
zvisina basa vasingade
kubuda pachena kuti vari
kuda mari yechioko
muhomwe.

"Grace ita plan handi uri


mupurisa," ndakadaro
ndaona akangochiller
achitoda kuti Dione aburitse
mari. "Mirai ndinotaura
navo," akataura achibuda
mumota Dione akasara
achiti, "anozviita munhu
asingade zvecorruption ini
chaiye akambondisunga
ndikaswera muchitokisi
andiona ndisina mask."
Akataura achiseka Dione but
ini ndanga ndisina nguva
yacho pfungwa dziri kuna
Denny. Mai Firi vacho vanga
vatiudza nezvemheni vanga
vasingachadavire phone izvo
zvakandiwedzera stress.
"Kasi dad vafa?"
Kakabvunza kari innocent
Tinashe ndikapotsa
ndakavhiringidza nembama
ndokuzongonyara bamunini.
Grace achidzoka kumota
takabva tapfuurira mberi
kuenda kumba tikasvika
Donny achipopotera Mai
Denny nekuvapumha huroyi
kuti ndovarovesa Denny
nemheni.

"Ari kupi Denny?"


Ndakabvunza ndichienda
kuna vamwene zvikanzi,
"arimo mumba menyu."
Ndakamhanyira mubedroom
ndikasvika achishinyira
akabata nzeve. "At least he's
alive," ndakataura
nechemumoyo ndichigara
paside pake. "Waita sei
Denny?" Ndakabvunza
ndichibata maoko aibvunda
ndikanzwa achipisa.

"Havachataure bamukuru
zvaiwana ngwarati,"
ndakanzwa Mai Firi
vachidaro panze ndokuzama
kutaudza Denny ndokutoona
kuti munhu haasi kutaura
zvinonzwikwa. Malips
aitoonekwa kuti ari kumover
asi kuti tinzwe zvaitaurwa
kana.

"Baba Firi chii chaitika?"


Ndakabvunza ndabuda
panze pana bamunini
zvikanzi, "maiguru
mungatobvunza mai vari apa
ndovanotoziva zvavaita."
Kubva zvandaive ndadzoka
pamba ndaizama kuavoider
Mai Denny semunhu
akaenda kuchikoro handiti
Denny aiti zvesweronetsana
namai vake zvinoitwa
nanaMai Firi vakagumira
grade five kwete munhu
akaenda kuchikoro.

"Mama maitei murume


wangu?" Ndakabvunza
ndakamira pamberi pavo
zvikanzi, "iwe siyana neni
murume wako arohwa
neshamhu naMwari.
Bhaibheri chairo rinoti
mwana aremekedze vabereki
vake kuti mazuva ake
awedzerwe zvino murume
wako wakandikwatsura musi
uno Mwariwo varova mbama
izvezvi haachataure shaya
dzese dzaoma. Kana uchida
kunyatsoziva chaitika kwaari
wotobvunza Mwari kwete ini
handiti ndimi munozviti
motaura naMwari."

Ndakatoona kuti kutaura


navo kupedza nguva ndikati,
"bamunini atanga kusataura
nguvai?"

"Mainini tanga tichitoronga


zvidhinha uko paitika
chamupupuri ndokubva
pangoita kalightning mukoma
vakatodonha pavamuka
vanga vasingachataure,"
vakatsanangura vachiratidza
kubatikana baba Firi
ndokudzokera mumba
ndichida kufonera Prophet
Tawanda sahwira vaDenny
wanikwe phone yavo haisi
kupinda.

"Dai taita zvekuita kuenda


kumba kwavo maiguru,"
vakadaro baba Firi ndokubva
taenda naDenny kumota
baba Firi vakadriver sezvo
vanga vari ivo vane license.
Prophet Tawanda vaive
vakugara kwaNyika saka
takadzokera futi kwataive
tabva. Tichisvika kumba
kwavo zvikanzi vakaenda
kucrusade kuSouth Africa
apa vaidzoka the following
week. Takadzokera kumba
takafizuka tangomirira
kudzoka kwaProphet.

"Usade kuita pamuromo


semunin'ina wako iwe, ndiye
akasiya andituka pano achiti
ndiudze murume wangu
ateye mheni sezviri kuita
vezera rake mheni yacho
yateeyewa akubvunza kuti
zvaitika sei nonsense,"
ndakavanzwa vachidaro
kuna Grace ndichiri mumota.
"Chokwadi mai vanonzwisa
hasha munoziva
tichingopedza kuvaka imba
yamukoma tovaka yangu,"
akadaro Dione
nechemumoyo ndikati,
"unovaka imwe une
mukadzi?"

"Huh ini izvi zvichingopera


ndoenda kuMasvingo kubasa
zvepano pamba
handizvikwanise." Vakatanga
kutaura nyaya vari vaviri ini
ndichinyatsofunga kuti baba
vaDenny vaivepi chaizvo.
Munoziva kubva zvandaive
ndabva Masvingo handina
kumbovaona pamba. I didn't
care about him but ndaida
kungoziva kwavaive chete.
Dennis ndakamubvunza
kamwechete akandipa
mhinduro yekuti
ndakazviudza kuti handife
ndakataura nezvavo aripo.
"Wasuwa kubobiwa navo
nekuvagarira beya handiti?"
Ndizvo zvaakandiita
pandakabvunza.

"Baba varipi mazuvano?"


Ndakabvunza vanabamunini
vangu ndikatariswa naDenny
neziso rekuti, "kwakanaka."
"Kasi uri kunzwa futi?"
Ndakadaro ndakamutarisa
vana bamunini vakaseka
zvikanzi nababa Firi, "ari
kunzwa asi haasi kutaura
chete." Ndakazvinyarira
ipapo nekubvunza zvababa
Denny aripo.

"VaIve makumbi," baba Firi


vakadaro ndikati, "makumbi
chii?"

"Maiguru futi vave assistant


wen'anga iya," Dione
akadavira achiseka ndikati,
"are you serious?"

"Why would we joke about


that?" Vakapindura baba Firi
ndikati zvakaoma ndichipinda
mumba. Idzo nyaya
dzen'anga ndanga ndisina
kuudzwa kuti dzakazoperera
papi naDenny zvino apa
ndanga ndakunzwa kuti baba
vave makumbi zvakaita kuti
ndifunge kuti ndivo vaive
vatumira mheni.
Takatoshinga kunamata
pamba kwete zviya zvataiita
kare zvekunamatira sadza
chete.

Pandaienda kubasa Grace


ndiye aisara achitarisa
Tinashe sezvo anga ari
paleave. Aive ati ari kugarira
Tinashe but semunhu
mukuru ndaitoona kuti
kutizisana kwavaita naDione
chinyararire. Week richipera
Prophet Tawanda vakabva
vadzoka tikaenda naDenny
kumba kwavo
vakamunamatira akabva
akutaura.
Takadzokera kumba
tikasvika zvinhu zvedu zviri
panze kusanganisira
zvababa Firi naDione. "Ko iyi
ndeipi Mai Mhangu?"
Akabvunza Denny ari
pamberi pamai vake ndikatoti
nechemumoyo, "this time
akavarova akasataura i'm not
going to waste my time
praying for his well being."
"Manga maendepi imi?
Izvezvi mombe four
dzadonha kumafuro dzikafa
itsa yanga ine zamu yafa
ichizvara," vakataura nevoice
rainzwika kurwadziwa
nemombe dzavo. Pasati
pane avapindura baba
Denny vakabva vabudikirawo
vakapfeka kashort vachiridza
ngoma haikona.
"He's gone mad?" Grace
akabvunza atove kuseri
kwangu nekuvatya semunhu
aisada kuswedera padhuze
nevanhu vanopenga.

"Maybe he's pretending,"


ndakadaro ndichienda
kumasure kwaDenny uyo
akabva aenda kubedroom
naTinashe kubedroom.

Hapana akada kuita chido


chekuvabata vachimhanya
kukitchen vakabva nechitsiga
nechemoto chavakatanga
kufuridza vakamira pahozi.
Dione ndokuzomhanya
kunovabata asi akati nonokei
nekuti hozi yakabva yabatira
moto. Vanakomana vari
busy kutsvaga mvura
yekudzimura moto munhu
kwakukurura hembe
vachimhanyira muhozi
nekuvhara door nemukati
varimo. Vana bamunini
vakaita batai batai
kuvaburitsa muhozi kuti
vasatsve.

"Denny budawo uite plan


panze apa," ndakadaro
ndichipinda mumba
akasandinzwa ari paphone.

"Thank you very much doctor


I'm relieved," akadaro
achikata phone ndikashay
kuti ndidoctor veyi vaaiudza
zvekuti ave relieved.

Akasiya phone pasi


akumhanyira panze paive
nenoise.Ndakatora phone
yake ndokutsvaga number
dzakanzi doctor
ndingadziwana? Ndakatoita
zvekuenda kuwhatsApp
ndokuzosearcher pakanzi
doctor ndokuenda pachat
racho apa vaive vakanzi
Foromani. Kuverenga
machats avo ndinzwe vanhu
vachitaura zvemaDNA. Ndiri
pachat racho pakabva
papinda message yakanzi, "I
will call you ndave paMado
ndokupa mareport acho."

Ndakadzokorodza kuverenga
chat ndokuona kuti anga
akatoitisa maDNA test ake
naTinashe.

End of chapter
On Sale
Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 24
Unedited

Nyasha

Zvakatondinetsa kuti fours


dzanga dzadarika asi Mai
Denny vachiri nekahunhu
kavo kekuda kushamisira.
Ndakangosiyana navo
ndichienda mubedroom
ndokuzobudamo Tinashe
akuchema panze. Aichema
achindidana akavhara kuface
achikushwa mvura ine salt
yematombo. Ndakatangirwa
naDennis kusvika pavaive
ndokusvika achidhonza Tina
nekurova mai vake mbama.
Tinashe akamhanyira
kwandiri aona kuti paipa.

"Dennis?" Baba vakadaro


vachisimuka ndokubva
aridza tsamwa achienda
kumota kwake. Hana yangu
yakarova nekutadza
kugamuchira zvaive
zvichangobva mukuitika. Of
course Mai Denny vaisvota
kusvika mumongo asi kurova
mai pavanhu kwanga
kusingaite. Dai aida
zvekuvarova akavataimira
pasina vanhu kuitira kuti
kana vozvitaura hapana
aivaterera nekuti Mai Denny
vaiti chero Fungai akavhika
mbama yavo akuda kutorwa
navo zvino Denny wanga
wavarova nehuku
dzakatarisa.

Nekupererwa Mai Denny


vakagarira pamusoro
pechibucket chaive nemvura
iya kwakubva chatotsemuka
nekuda kweweight yavo
ndokubva vachizoti gwadara
pasi vachichema zvavo. "Mai
Tinashe!" Akandidana
Denny ari mumba
ndokuenda naTinashe akati,
"waridzira mwana arare."

"Pasi?" Akabvunza mwana


wacho achiratidza kukanuka.
"Ehe," ndakapindura
ndichimupukuta kuface
zvikanzi, "ko apa?" Aireva
pabed ndokubva ndatarisa
Denny kuti apindure mwana
wake sezvo anga ariye aive
atanga zvepasi. Kubva
achizvarwa Tinashe anga
atongojaira kurara neni saka
zvinyuwani zvaida kuitiswa
naDenny akatadza
kuzvinzwisisa akazviramba.

"I'm sorry Denny," ndakadaro


tarara ini ndiri pakati
zvikanzi, "waitei?"
Akabvunza achimuka ndikati,
"makunetsana namama
nekuda kwangu futi."

"Unopenga here iwe? Tagara


tichingonetsana asi vanobva
vazopfuura mwero nekuda
kwekuti wavepo kuitira kuti
vanhu vakuone seune
mhosva," akataura
achindibhabhadzira musana
ndokubva ndatobatwa
nehope ndikatozopeputswa
naDenny achiti, "nhai
vamwene chimukai
kwaedza." Ndichiona zuva
raipinda mumba ndakabva
pabed fast ndichiti, "Denny
une hutsine hone seven
yatochaya apa hapana
chandati ndaita naeight
ndichidiwa kubasa." Handina
kumirira mhinduro yake
ndokumonera zambia
ndichibuda panze ndokuona
chivanze chatotsvairwa
zvese zvaitwa.

"Instead yekutenderera ipapo


uchinonoka dai watonogeza
zvako," akadaro Denny
achindirova kumusana
ndikati, "fine but
unondiperekedzawo nemota
yako?"

"Chienda kunogeza"
akataura achiita
kakundisunda ndikamutarisa
neface inonzwisa tsitsi
ndichiti, "nemvura
inotonhora?" Kungofunga
kuti ndiri kunogeza nemvura
inotonhora kwakandipinza
chando zvikanzi naDennis,
"ndazviziva hangu kuti
haushaye maexcuse
panyaya dzekugeza.
Nanhasi uchiri kutya mvura
babe?" Ndakaseka adaro
ndikamurova pachest
ndichiti, "watanga
ndakambovenga mvura
sarini?"
"Ko chamunomukira chii
kana muchiri kuda kubatana
imwe show off yenyu
inotosemesa?" Vakapfuura
nepataive takamira vachidaro
Mai Firi zvikanzi naDenny,
"umwe munhu ari kuapplier
kuswera achitonhorerwa."

"Iko hazvicharambike nhaka


tichafa nekurohwa,"
vakapindurira pasi pasi asi
takazvinzwa ndikati, "siyana
navo Denny."

"Fine babe chienda


kunogeza ndanga ndakuisira
mvura pamoto," paakadaro
Denny ndakafarira mvura
sezvimwe zvinhu
zvinoshamisa ndokunotora
mvura ndikanogeza. Denny
ndakasvika achangopedza
kuaina uniform yangu.
Mongoziva kuti vanhu kana
vachangodzokerana rudo
rwacho rwunenge
rwuchibvira.

"Ini gore rino


muchatondiuraya zvenyu
nekutaura nekuti
handingambonyarare kuona
mwana wangu achiitwa
muroora pano," it was quite
obvious kuti vaireva Denny
anga andiisira mvura
yekugeza. Kuavoider
muromo takavasiya
vachikuma vega ndokubuda
tiri vatatu nekuti hapana
pataizofarisa kusvika
pakusiya Tinashe pamba.

"Unoziva sometimes
ndombofunga kuti
wakandidyisa," akadaro
Denny achindirova shoulder
ndikati, "taura nyaya yako."

"Chokwadi zera rako


ringaperekedzwa kubasa
kuita semwana weGrade 1
kutadzawo kudriver mota?
Zvimwe zvinhu ita serious
Nyasha," akataura nevoice
rine kakushora ndikati,
"ndogona kudriver ini license
yangu ndakatoikanganwa
kumba kwaGrace."

"Kuda kuzvitutumadza vana


Mamoyo," akandiseka
achidaro ndokuzisvika
pachipatara tichiita nyaya.

Tachaisa Denny akanonoka


kuuya kuzonditora
kuchipatara ndokubva
ndatanga kutimba netsoka
ndikasangana naye ndatove
halfway kuenda kumba
nekamunhu kake mumota.

"Ko mai vako vanga


vatisimudzira mhepo kumba
uko," akadaro nevoice
remunhu akafizuka. "Mai
vangu vapi futi?"
Ndakabvunza semunhu
aiziva kuti haasisina mai.

"Ivo Mai Denny," akadaro


ndikaseka ndichiti, "vave
vangu manje?"

"Ahh iwe kundishurira.


Munhu kuenda kwasabhuku
kunoreva kuti ndakavarova
kwatonzi mangwana munhu
wese kwasabhuku,"
paakadaro ndakangoti
zvakaoma ndokuzosvika
kumba tichitaura zvimwe.
The following day ndaida
kurega kuenda kubasa
ndichienda kwasabhuku
Denny akazviramba
akandipa mota akati ndiende
kubasa. Ndakadzima phone
ndiri kubasa kuti vaizoda
kufona vachiti ndodiwa
kwasabhuku vabondere.
Pandakazochaisa zuva rovira
ndakaona Mai Ishe nevamwe
vavo vachipesvuka muroad
pavakaona mota yekumba
vakamisa vasina kuona kuti
ndiyani iniwo ndikabvuma
kumira.

"Hevozve nhai Mai Ishe,"


vakadaro mbuya vaPuro
ndikatovadavira zvakanaka
zvikanzi naMai Ishe,
"chienda zvako tanga
tichifunga kuti mune munhu
ari nani atitakurewo zvino
handingambotambise nguva
yangu kukumbira lift kwauri."

"Newowo Mai Ishe unazvo


ungada kukwira mugweje
iwowu usvike kumba
wacheneruka nehuruva kuti
wadii," vakadaro Mai Puro
ndikashaya kuti daka ravo
neni nderei ndokumutsa
mota ndichirova pasi. "Yave
mugwejewo zvesure,"
ndakataura ndega ndichiseka
ndapfuura pagoronga. Denny
ayiibata rough kuisa zvese
zvese imomo especially
zvidhinha. Ndakasvika
kumba ndatomutsvagira
mashoko maviri matatu
ekumutsiura nawo
ndokusvika ari busy
kutukana naMai Denny
kushaya kuti ndiye anga
aitirwa dare rekurova amai.
"Chiiko Denny?"
Ndakamubvunza
ndichimubata ruoko
akapindura nehasha kuti,
"hapana handi ndadzi
ndivaripe here saka hapana
chekutya sezvo
ndichizongoripa ka1."
Ndakasiya akapedzerana
namai vake ndokuzodzoka
kubedroom achiti,
"unovanzwa zvari kutaura?
Hee vhiki haripere vhiki
haripere kudii kwacho?"
Akataura achivatevedzera
zvakaita kuti ndiseke
ndisingade.

Week rakasvika pakupera


Denny naMai vake
vachipfuudzana ini
vachingondiridzira tsamwa
seweekend yandisina
kuenda kubasa ndakaona
kuti better kuenda kwaNyika
kunoona Grace sezvo Denny
anga asiri pamba ari busy
nekugadzira pekuvaka.
Ndakasvika Grace asina
kuzvitarisira ndokuona
munhu ari busy kusasana
naDione ndikaziva kuti
ndizvo zvakaita kuti atsike
tsike panyaya dzekugara
kumba kwake sezvo ainyara
kuti adzokerana naDione. Ini
ndanga ndisina basa kuti
adanana nani as long asiri
Denny saka chaaindinyara
ndakachishaya. Takatandara
pamba pavo kusvika masikati
ndikazobva ndichimhanya
mhanya Mai Firi vati Denny
arohwa nemheni.

"Kurohwa nemheni nguva


yechando ino?" Akakanuka
Grace.
End of chapter
On Sale

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900
Chapter 26

Unedited

Nyasha
Pane kuti ndifunge kwekuti
tiende sezvo taive tadzingwa
naMai Denny ndakatora
mwana wangu ndokubuda
naye ndichienda
kwandaisaziva
ndokuzongoona kuti better
kuenda kwaMado kunomirira
doctor vaDenny. Phone yake
ndanga ndichiri nayo saka
ndataura naDoctor vacho
paphone ndichiita saDenny
ndikatosender message
yekuti, "right now ndaita busy
ndiri kutuma madam
kuzotora."

"Hazvizoite noise kumba


here?" Vakabvunza doctor
ndikati, "noise yakatoita
paakabata phone yangu
akaona mamessage but iko
zvino tave kuwirirana."
Handina kutora nguva
ndakamira paMado
ndokubva vandipa report
pamwechete necounseling
vachichenura Denny
ndikangoita semunhu
anzwisisa. Ndakabva
paMado ndichingoridza
tsamwa ndikatoona kuti
dzimwe marriage
dzatinoshingirira inyaya
yekuti hatina kwekutizira.
Ndaiti ndikatarisa Tinashe
ndaiitira Denny hasha kuti
anga afunga sei kuti Tinashe
haasi mwana wake. Though
Tinashe anga akafanana
neni aive nenzeve dzakatiza
musoro nemazino
akapfekana saDenny asi
hameno kuti zvese izvozvo
anga asingazvione here?

"Mai Tinashe!" Ndakanzwa


Mai Puro vachindidana
ndakaita sendisingavanzwe
zvikanzi naTinashe, "mama
iti hee."

"Handidi!" Ndakadaro
zvikamuitira funny akaseka.
Mai Puro vacho vakasvika
pakutibata nestep
yataifamba. "Mai Tinashe uri
sei?" Vakandimhorosa
vachifemereka semunhu
anga afambisa kuti andibate.

"Ndiri right Mai Puro,"


ndakadavira ndakasunga
face zvikanzi, "haa
usandiudze kuti uchiri
wakatsamwira nyaya yemusi
uya? Waida kuti ndiite sei
Mai Ishe varipo nhaiwe
kwaive kufadza mutengi kani
asikana." Vakadaro
vachindirova maoko ndikati,
"covid vasikana totoita social
distance."

"Heedee zvakaoma social


distance ipi yamunotaura Mai
Tinashe imi muchigara
semakonzo paMhangu
paya," she said jokingly but I
could see that she meant it.
"Manga mati chii?"
Ndakavabvunza zvikanzi,
"iwe ndanga ndichida
kubvunza kuti murume wako
wakamuenderepi."

"Kumuenderepi?"
Ndakabvunza ndichikanuka
zvikanzi, "asikana Mamoyo
usadaro ndiri mukadzi sewe
unoziva nhamo dzemumba
umu unoti ukandiudza
ndinoudza ani?"

"Handisi kunzwisisa Mai


Puro," ndakadaro
vakandizevezera vachiti,
"murume wako
wakamugadzira nei?
Ndakanzwa namainini vako
kuti anokuisira mvura
nekukuwachira?" Apa
kuzevezera kwaive kuitira
kuti Tinashe asanzwe.

"Ati chii mamo?"


Akandibvunza Tinashe
ndikati, "ndokuudza ndave
kumba." Akagutsirira musoro
achindibata ruoko ndikati,
"Mai Puro imba idzi
ndedzekunamatira wega
nemabvi ako."

"Nhai asikana munoti isu


hatinamatewo here? Kasi
munonamata makatarisa
kupi kuti minamoto yenyu
inzwike nekukasika nekuti
vamwe tatopera mabvi
nekubvugama nekutsanya
tichinamatira dzimba idzi,"
ndakatoona kuti Mai Puro
havanyarare ndikati, "izvezvi
ndiri kumhanya Mai Puro
ndichakuudzai kana kuti
mozouya kumba."

"Wakutaura manje Mamoyo,


ko ndanzwa kuti kune
mombe yafa ichizvara kumba
kwenyu wongondipawo
kanhindi Mamoyo uri mumwe
wangu iwe," vakadaro
vachisekerera ndikati,
"mouya kumba kana kuti
motuma Puro."

"Rega baba Ishe vachikuda


uri munhu kwaye iwe kwete
njapisi iya yavanga
vatotitorera," ndakaseka kuti
zvindibve ndokutura mafemo
vatsauka. Ndakafambisa
ndakasvika kumba ndanzwa
mhere ndikangofunga kuti
vatezvara vafira muhozi.
Pandakasvika ndakatoona
shasha iri busy kuridza
ngoma zvinhu zvanga zviri
panze zvapinzwa mumba.
Ndakaverenga vanhu vese
ndikaona vakakwana
ndikashaya kuti Mai Denny
vaichema ani
ndikangosiyana nazvo
ndichienda kubedroom
kwandakateverwa naDenny
achiti, "ko kusataura kuti uri
kubuda nhai Mamoyo
unoziva ndanda nechando
ndichiti mukadzi aendepi
nemwana apa wasiya phone
yako."

"Ndanga ndangoti ndifurwe


nemhepo ndikasvika
kwaMado ndikaona doctor
vako vakati ndikupe maDNA
reports aya," ndakadaro
ndichimutambidza akamatora
achimedzerera mate.

"I just wanted to clear my


doubts Nyasha," akadaro
achiuya pandiri ndikamuti,
"don't touch me!"

"Babe I can explain," he said.


"Kuexplainer kuti chii
Denny?" Ndakabvunza and
he sighed before
saying,"sorry kani Mamo."

"Sorry?" I repeated after him


zvikanzi, "I know that you're
angry but I di..."

"Waidoubter ini kana


Tinashe?" Ndakamukata
ndichidaro zvikanzi, "it's not
like that babe."

"What is it like then?"


Ndakabvunza zvikanzi,
"everyone was doubting her."

"Everyone? Who is everyone


Denny?" I asked.

"Babe hona mama vaigara


vakati Tina haasi mwana
wangu and vanhu vemuraini
vaingotaura zvakawanda
plus makamboti nhumbu
yakabva so I was confused."
Kutotsanangura achinzwisa
tsitsi kani ndikati, "zvevanhu
hazvina basa Denny."

"Babe chingoona sekuti


ndakazviitira Tinashe
imagine aizofeeler sei
achinzwa vanhu vachitaura
kuti haasi mwana wepano,"
akadaro Denny achindibata
ndikati, "saka wambofunga
kuti achafeeler sei
paachanzwa kuti baba vake
vakatanga vaona medical
report kuti vabvume kuti
mwana wavo?"

"Anozvinzwa nani?"
Akabvunza ndikati, "nevanhu
ivavoka vawaitira DNA test."
Akarova wardrobe nehasha
ndikati, "i did expect this from
you Denny and I can't
believe that your affection
towards her was also fake.
Everything was lie Denny!"

"What are you saying


Nyasha?" He asked
ndikapindura kuti, "ndiri
kutaura zvawaiitaka kuti
wanga une fake love.
Wakaregererei kundibvunza
kana wanga une madoubt?"

"I didn't want you to think that


I don't trust you,"
ndakashamiswa nemhindiro
yake ndikati, "saka kuenda
kumaDNA ndiko kunoita kuti
ndifunge kuti unondi trusta?"

"Babe ndakaenda kumaDNA


a three weeks back
uchangodzoka hazvisi
zvamanje manje izvi paya
zvaisaita kuti ndikubvunze
nekuti waigona
kunditsamwira zvachose
that's why ndakangoitira
zvinhu zvangu under
ground," akataura nevoice
remunhu aida kuchema
ndikati, "so ipapo pacho
wakafunga kuti ndaiita
zvevarume?"
"Babe I'm human so I'm
bound to think so. Wanga
usipo for four years Nyasha
ndaisaziva zvawaiita
kuMasvingo," akadaro
ndikati, "oh now ndanzwisisa
so does that mean kuti iwe
wakasara uchiita zvako
kuno?"

"Nyasha what's wrong with


you?" Akabvunza ndikati,
"ndiri kuda kuzivawo kuti
wakasara uchitei handi
neniwo ndiri munhu."

"Mamoyo une basa rei


nezvandakaita usipo handiti
tanga tasiyana?" Akataura
achigara pabed achikwenya
musoro ndikati, "saka
wakatomboita zvevamwe
vakadzi ndisipo?"
"Mamoyo ndiri munhuwo
hakuna murume anoita four
years asina kumbosangana
nemukadzi sha. Yes
ndaikuda and ndaive
ndakaringa nzira ndichiti
uchadzoka saka ndisina
kuroorawo asi hazvirevi kuti
handina kumbodai dai
usipo." Akataura akatsikitsira
ndikati, "kudai dai kudii?"
"Mamoyo hausi mwana iwe!"
Akataura nehasha
achisimuka akabuda mumba
ndikasara ndichigara pasi
nekupusa ndichifunga kuti
Denny akatomboita
zvemagirlfriend ndisipo apa
ini ndaitoramba vanhu vari
nani kudarika iye ndine hope
yekuti tichadzokerana.
End of chapter
On Sale

Mamoyo
Written By Rue M
0788357900

Chapter 27

Dennis
Doctor vaive vatondiudza kuti
Tinashe mwana wangu saka
panga pasina need
yekutarisa report asi
semunhu mutema
ndakatongovhura envelope
ndikavarenga Nyasha
akadzoka mumba ndakabata
mapaper aya zvikanzi,
"you're doubting your doctor
too? Wadii watoenda
kun'anga yako?" I chose to
ignore her ndokubva
ndabvarura mapaper aya
ndichibuda panze
ndokunomakanda mukitchen
mumoto. Tinashe akabva
auya kwandiri
achicomplainer nzara. Anga
atove manheru apa vakadzi
vacho hapana airatidza kuti
ari kuda zvekubika.
"Mira ndikubikire," ndakadaro
ndichimubata musoro
zvikanzi, "tobika teseka?"
Ndakagutsirira musoro
akafarira kuti taibika tese.
Ndakangotora kapoto kadiki
kedu tiri vaviri nekuti kubikira
musha wese ndaizotoiswa
paduty nanaNyasha.

"Ko wadii wandaiudza kuti


une nzara ndabika ipapa
kuda kutsvaga kuti vanhu
vanditaure muno muraini?"
Akapinda mukitchen
achidaro Nyasha ndokuti,
"ndaita sei futi?"

"Hausi kuona zvauri kuita?


Vana Mai Firi vakafamba
vachiti ndakakudyisa pano
izvezvi ndasangana naMai
Puro vachindibvunza kuti
ndakakupfuhwira neyi!"
Akataura voice riri pamusoro
ndikati, "mwana Nyasha."

"As if you care about her!"


Akadaro achibuda Tinashe
akasara achibvunza chaive
chatsamwisa mai vake
ndikangomuti vane nzara.
Tichipedza kudya takaenda
kunorara Nyasha
akazviwaridzira pasi Tinashe
akaendawo pasi nekuti aida
kurara naNyasha. Hope
dzakaramba kubata
ndikabuda mumba ndichida
kutoenda kustand kunopisa
zvidhina. Handina kuziva kuti
Nyasha anga asati arara
ndakangoona munhu
achinditevera kumasure.

"Mwana wasiya nani


Nyasha?" Ndakabvunza
zvikanzi, "mwana wani?"
"Nyasha wakuda
kuzonditsamwisa manje
usaone ndichikunyararira
wofunga kuti ndakapusa,"
ndakadaro nehasha zvikanzi,
"tsamwa uri kumiswa
naniko?" Ndakafamba
zvishoma nezvishoma
ndichienda paaive iye
akatanga kudzokera
kumasure ndikati, "saka uri
kutyei?"

"Une hutsinye Denny dai


ndakaziva kuti ndozvauri
ndisina kumbodzoka but ziva
kuti ikozvino ndikaenda
handidzoke," akataura
achichema ndikati, "Nyasha
ndiri kuenda kustand."

"Haunyare? Kustand
kwaunoenda kuma10 here?"
Akadaro ndikati, "saka ndiri
kuendepi?"

"Uri kuenda kunoona


musikana wako wawairara
naye ndisipo," ndakapererwa
ndakamutarisa ndikati,
"Nyasha ita serious iwe."

"Serious yei? Handisi mwana


wako waunonyepera
zvakadaro wanzwa?"
Paakadaro ndakatoona kuti
nyaya yacho haipere
ndokubva ndati,
"ngatichidzokera kumba
kwacho."

"Tagara tiri kudzokera,"


akataura achindibata ruoko
tikati fambe fambe
ndokumira tanzwa munhu
achindidana. Nyasha haana
chaakataura but ndaitonzwa
seari kuti, "ndiyeka munhu
wawanga wauya kuzoona."

"Mukoma Dennis?" Akadana


rwepiri munhu uya
ndikatadza kuziva voice
racho ndokuzotomirira kuti
asvike pataive. "Mukoma
Dennis," akadaro achindipa
hug ndokutanga kuchema
ndokubva ndazoyeuka kuti
ndine hanzvadzi. "Ndini
Shuvai," akadaro
achingochema ndokubva
ndati, "Shuvai?" Shuvai
ndaive ndakapedzisira
kumuona paakachata. Kubva
ipapo haana kuzodzoka
kumusha kana paphone
taisataura. Mai vake ndivo
vaipota vachinomuona
kuHarare. Kuti nditi ainyara
nesu semunhu aive
akaroorwa nembinga kana
kuti aishaya time yekutaura
nesu handizivi. Kubva zvaive
zvakashainirwa Dione
paakaenda kumba kwake
achinzi agare kucottage
angazosvibisa kumain house
nehembe dzake
dzechikorokoza. As if
kugarisa Dione kumain
house vakabva vamubira
mari yake kumba kwavo ini
pandakada kubvunza Shuvai
akabva atondiblocker
paphone so kubva ipapo
hatina kuzotaura tese.

Takaenda kumba naye


achingochema asingataure
zvinonzwikwa Nyasha akati,
"musacheme tete at least
mune kumba kwekutizira
mukanetswa nemurume
vamwe togomera tiripo."
Ndakamutarisa neziso rekuti,
"dzikama," akatanga kuseka
achiti, "kutamba hangu tete."

Tichisvika kumba Shuvai


akaenda kuna mai isu
tikaenda mubedroom
ndokuona Tinashe asimo
ndikati, "mwana wangu aripi
Nyasha?"

"Umm vana Denny musade


kunzi mune care mwana ana
Grace," akataura achienda
pabed ndikaziva kuti chando
changa chambomurova pasi
saka anga arongeka.
"Dennis usandibate please,"
akadaro ndangomugumha
ndikati, "handisi kuda
kukubata ini."

"Ehe rega handi wajaira


kubata mvana dzemuraini,"
ndakaita sendisina
kumunzwa ndikamufaratira.
"Watoramwa ipapa?"
Akataura akaisa musoro
wake pashoulder pangu
ndikashaya kuti aida kuti
ndiite sei chaizvo ndikati,
"Nyasha ndokumbirawo
kurara."

"Vata!" Akataura achibva


pandiri nekudhonza machira
ndikasara ndisina kufuga.
Ndakamudhonzerawo
akadhonza ndikatoona kuti
takutoita sevana vadiki
ndokubva ndachidhonza iye.
Ndakamubata zviri tight
ndikati, "Nyasha sorry i didn't
mean to hurt."

"Sorry yega here Denny?"


Akadaro nevoice riri low
ndikati, "unoda sorry nei?"
"Ahh Denny ita semurume
kuti ndikuregerere ndoda
kasomething zvee. Unoziva
baba Mona vakanetsana
naMai Mona vaitotenga
kaproperty kekuti sorry
mukadzi wangu?" Akadaro
ndikarova serious ndichiti,
"ndave baba Mona manje.
Baba Mona ndibaba Mona ini
ndiri Baba Tinashe."
"Bho!" Akadaro atarisa
kuside ndikati, "ndanga
ndichitamba kani mukadzi
wangu. Ndokutengera chii
kuti undiregerere?"

"Ndiri kuda masofa aya


andakakuratidza," akataura
achitora phone yake kuti
andiratidze futi ndikati,
"hauchatye kuroiwa?"
"Haa Denny torega kutenga
property nekutya kuroiwa
chero ndiwewo?" Akadaro
ndikamuti, "ndanga ndichida
kungozivawo ini."

"Kana kuti hauna mari


yacho?" Akataura achiseka
ndikamurova kambama
ndichiti, "kwana iwe."
Takatozorara tave kuseka
kukanganwa kuti munhu
ndiye anga ambowaridza
pasi. Mamoyo anga
asingagare nechigumbu
saMai Ishe, Mai Ishe taiti
tikanetsana chero vhiki
raikwana tisingataudzane asi
ndainzwa nekuimbwa. The
following day takamutswa
naTinashe achinoka padoor.
Ndakamuvhurira ndokubva
ndatobuda mumba
ndichienda kudanga kwaive
kwakamira vana Donny.

"Hanzi n'anga yako yakafa


nezuro," akadaro Donny
ndikati, "haikona kuita
pamuromo saMamoyo iwe
n'anga yangu ipi?"

"Ivo mbuya vayaka, mama


ndiko kwavatoenda
kumariro," akadaro Dione.
"Ko vagomukirako ihama
yeko here?" Ndakabvunza
zvikanzi, "ivo vatouya
kuzodanwa vaizorega
kuenda here?"

"Inga pakaipa," ndakadaro


ndichitarisa kuti hapana
imwe mombe yanga yashota
here. "Ko ivo vakafa sei
mbuya vacho?"
Ndakabvunza ndichigara
padombo Donny akati, "hanzi
vakagodonha vachigeza."

"Vaitogezawo mbuya vaya?"


Ndakakanuka ndichidaro
ndokuzoseka tese
ndokugumira panzira tanzwa
noise yaMai Firi naShuvai.

"Usakanganwe kuti uri


chembere iwe unobatira
baba Firi kwete ini!" Akadaro
Shuvai zvikanzi, "ini ndiri
chembere iri pamurume ndiri
nani panewe wakadzingwa
kumurume sembwa. N'anga
yamai vako yakafa saka
wakutogara pano kusvika
zvanaka so usazvione sekuti
uri special zvekuti
ndingakudziisira mvura
yekugeza
iwe.Wakutoverengwa
pamvana dzemuraini!"
"Inga zvakaoma saka kufa
kwen'anga ndiko kwakonzera
zvese izvi? Donny uchenjere
kutodzingwa basa futi iwe
remember mai ndivo
vakakufambira kuti uwane
basa kuchikoro kwako."
Dione said jokingly but
chaitove nechokwadi nekuti
mbuya iya yanga yafa
nezvinhu zvayo.
End of chapter
On Sale

Mamoyo
Written By Rue M
0788357900

Chapter 28

Nyasha
Pamba panga pave nepeace
two days dzaive dzisipo Mai
Denny vari kumariro chero
Mai Firi natete Shuvai
vaipota vachinetsana.

"Ko iwe hauende kunochema


mukadzi sei?" Ndakadenha
Denny ndichidaro
zvikanzi,"Nyasha handisati
ndambokurovaka? One day
ndichakuvhara nembama
ukafunga kuti ndokushurira."

"Unofunga kuti handigone


kudzosera ndokuputitsa
vanhu vakazoti ndakakudyisa
zvemasure,"
ndichangopedza kudaro Mai
Puro vakabva vasvika.
Denny ndaive ndamuudza
zvavakandiita saka
achivaona akaita manyemwe
ekuonererwa achiti, "mati
moda kugeza izvezvi here
ndiise mvura yacho pamoto
ifanodziya." Ndakamutarisa
neziso rekuti,
"ndidzikamirewozve.

"Zviri sei vasikana?"


Vakandirova maoko
vachidaro vakagara paside
neni. "Maswera here Mai
Puro," ndakadaro zvikanzi,
"ndogoswera nepi naivo
baba Puro vanga
vandisimudzira mhepo
kuseni kuno?"

"Vati kudii futi?"


Ndakabvunza ndakutoseka
semunhu aiziva baba Puro
nemabasa avo. "Iyoyo
nyama yawakatuma Firi nayo
kumba ndiyo yanga yamutsa
hondozve."

"Aikazve chirudzii?"
Ndakataura nevoice rekuda
kutapa zvikanzi, "handiti
nezuro ndakaomesa imwe
paya ndichiti tozodya
pamberi apo nhasi ndakubika
nenyevhe sandi kupopota
vachiti nyama yakauya
nezuro iripi ndakutoita basa
rekudya nezvikomba zvangu
chero ndimiwo."

"Vanozonyanya baba Puro,"


ndakadaro ndatoshaya
zvekutaura zvikanzi,
"ndosaka ndauya kuti
undibetsere. Tarisa izvezvi
iwe wakagara Denny achiita
zvese chero chimusikana
chake chiya achiri kuchiona
mazuvano kana kuti
zvakatopera?"

"Chimusikana chipizve?"
Ndakabvunza zvikanzi,
"chiyaka chaipengesana
nacho uri kuMasvingo
kuchikoro," vakadaro
ndikafizuka ndichifunga kuti
Denny akatosara achidanana
nevanhu zvekusvika
pakupengesana.
Paakandiudza ndaifunga kuti
kwaingove kuitisana badzi.

"Mai Puro ndozvamavinga


pano?" Akadaro achibuda
mumba Denny ndikati, "kasi
pane chavakanganisa here
pakubvunza kuti muchiri
mese?"

"Tichiri tese nani?"


Akabvunza nehasha ndikati,
"nemunhu wakoka." Mai
Puro vakasimuka vaona kuti
masamba asiyana. Vakabva
vasina kuoneka sare ndoti
kuna Denny, "that was rude."

"I don't care mungaite basa


rekuita makuhwa makateya
mushana kudaro? Icho
chakutadzisa kuenda kubasa
chii nhasi?" Akataura
akatotsamwa ndikati,
"tanyeya ani nhaiwe? Handiti
vanga vachingotaura nyaya
dzekumba kwavo?
Wakamboitirei zvevasikana
zvacho kana usingade kuti
vanhu vataure?" Akadzokera
mubedroom akanyarara
pasina nguva ndokubva
abuda akapfeka hovhorosi
ndikaenda pamberi pake
ndichiti, "chakutsamwisa
chii?"
"Hapana ita so ndiwane
kufamba," akadaro achiita
kakundisudurutsa
ndikashaya balance
kwakubva ndadonha. "Sorry
Nyasha," akadaro
achonjomara ndikasimuka
ndakanyarara ndokuzunza
hembe ndichipinda
mubedroom.

"Tinashe kani!" Ndakanzwa


akudaro nevoice riri
pamusoro ndokuzonzwa
Tinashe akumuti
haachatambe naye. Denny
akadzoka mumba achiyerera
ropa kuface ndikamboda
kumubvunza kuti aita sei
ndokuzongosiya akadaro.
Tinashe akabva apindawo
mumba achiti, "sorry mama
hona namutema, anyaka?"
"Tinashe?" Ndakadaro
ndichizunza mavhu
ndokuzomusiya ndichida
kuona paive patemwa Denny
ndokutoona pari pakuru.
"Musiye kani mama,"
akadaro Tinashe
achindidhonza ruoko ndikati,
"mira timurape."
Akafinyamisa Tinashe ini
ndokupa Denny look ine
kakumusvotesa. Ndakasara
ndomupukuta ropa Tinashe
adanwa nevamwe vake
panze.

"Ndakakuudza kuti kana


uchida kuwirirana naTinashe
usindibate huyanga
achiona," ndakadaro kuna
Denny zvikanzi, "i didn't
mean to push you."

"Ngazvipere," ndakadaro
akati, "sorry it's just that I feel
bad vanhu vakatanga
kutaura zvandakaita usipo.
Ndofeeler as if ndaikucheater
and I hate that feeling."

"It's okay so tell me kuti


vasikana vacho ndivanani
nekuti zvekuzoseka nevanhu
vakadanana newe handidi,"
ndakadaro ndiri serious
zvikanzi, "ukati vasikana
vanobva vaita sevakawanda
Mamoyo. Aingove Portia
chete kani."

"Portia Banda?"
Ndakakanuka ndichidaro
akaseka achiti, "ehe kasi
haaite?"

"Iwe Denny unobhaiza


munhu wepadhuze kudaro
ende iye Portia ane mweya
werima. Akandiona
anondisekerera
seanondifarira fani. Nezuro
aiti achatouya pano
kuzondiruka nditsvage
weave chete," pandakadaro
ndakatanga kundisekerera
kwaiita Portia ndokuzongoti,
"munhu munhu veduwe."

"Zvakapera babe," akataura


achitarisa tarisa pamirror
ndokuzoti, "mwana wako
apara ngozi achenjerere
kuenda muromo paside."

"Baba havana ngozi


remember," ndakamudaro
akaseka achiti, "but hazvisi
fair."

"Wakazoti doro riri kubikwa


rini?" Ndakabvunza akati,
"chimbondisiya sha unofunga
kuti ngozi yaMai Denny
angapera nekubikirwa doro
riya ndichatotaura navo
toonesana."

"Ibvapa uri kuzeza kutanda


botso," ndakadaro
ndichiseka akati, "hapana
apa." Moziva all along
ndaitofunga kuti munhu wese
akutanda botso anenge
atodambuka njere sababa
Denny but zvaDenny zvanga
zvatosiyana. Aive anzi doro
racho raizobika aibika
nezviyo zvaipemha akapfeka
masaga ipapo
ndopaizorohwa nevanhu.
Ndaitoona hangu kuti Denny
aizeza kupfeka masaga
nekupemha saka akasarudza
zvekutaurirana naMai Denny.

After a week Mai Denny


vakazodzoka kumba vasvika
vachigarisa mwanasikana
pasi vachiti adzokere
kumurume. "Mama murume
asingachandide here?"
Akabvunza achinzwisa tsitsi
Shuvai zvikanzi, "kukuda
kune basa rei as long
uchichengetwa uchidya
uchiguta?"

"Ahh mama ndoti


ndakagarirei pamba
pakadaro?" Akataura
akasunga face zvikanzi,
"unenge wakagarira vana
vako Shuvai. Dzimba
dzagara dzakaoma asi
semunhu wemukadzi
wotoshinga. Unofunga kuti ini
ndachembedzana nababa
vako zvese zvitsvene. Izvezvi
vari kupenga asi handisati
ndambobatwa nepfungwa
yekuvaramba. Murume chipo
chinobva kuna Mwari bvunza
Mamoyo ari apa uyo
anokuudza kuti four years
dzese dzaakagara asina
Denny akashaya munhu aida
kumuroora akatoti better
kudzoka pano. Zvimwezvo
nevakoma vake, Grace
akatoona kuti kubatirira pana
Donny zviri nani. Varume
vashoma munyika asi iwe
ndopaunoti hauchade
murume. Imba ndeyako
Shuvai wotoifambira vamwe
havabvi kumaporofita
vachinamatira dzimba
dzavo."

"Kuti akoshei murume wacho


it's not like kunzi uri mukadzi
wemunhu kunowanisa pay.
Handimbogare ndichirohwa
nekuda kwekunzi ndine
murume. Wamakamboona
akafa nekuti haana murume?
Ini zvekurohwa handidi
hangu mama plus kurohwa
kwega kuri nani pane
kuhurirwa ndakatarisa."
Vakadaro tete Shuvai Mai
Denny vakaseka vachiti,
"haushuri here Shuvai unoti
kune murume asingahure?"

"Izvozvo handizivi asi kana


munhu ada kuhura
ngaahurire kure ndisazvibata
kwete zvaiita mukwasha
wenyu zvekuuya negirlfriend
pamba ndiripo," akataura
akuchema Shuvai zvikanzi,
"anenge akadyiswa murume
wako saka wotomufambira."

"Kudyiswa kwei mama?


Munu anodyiswa kana
atonyenga munhu saka
zvakafanana nekuti dai asina
kunyenga musikana iyeye
hapana paaizodyisirwa
pamba pangu. Handiti
vanenge vakutobikirana
kuzoona munhu akudyiswa?"

"Chingoti vana vepano


havachatere itai zvamunoda
henyu," vakataura
vachisimuka Mai Denny
vakuenda kumapoto
kunopakura. It was quite
obvious kuti kana pamba
paurayiwa huku ndivo
vaipakura. Vakapakura
ndokubva vatambidza vanhu
maplates yangu isina husavi.
Denny akabvunza kuti,
"hwapera here husavi?"
Vakavhura poto Mai Denny
ndokuti, "kwasara bapiro
nemusana ndomuka
ndichidya nechimunya
makuseni."

"Mhai mungasiye husavi


hwechimunya mumwe
munhu asina chekusevesa?"
Vakabvunza baba Firi
zvikanzi, "ndiyani asina
chekusevesa? Handiti
kutosara uku kureva kuti
vanhu vese vakwana?"

"Hamuna kuisira mama,"


akadaro Ishe zvikanzi, "mai
vako havadye nyaya yehuku
ava. Zuva rovira ndavati
vaurauye huku vakaramba
hanzi ndotya kuuraya huku
saka ndatya kuti
ndikazomupakurira nyama
yehuku angarara
achivhumuka nekutya
mwana wevanhu." Vamwe
vakaseka but handina kuona
chaisekesa. Ndakavhara
sadza ravo ndikabuda
mumba ndichida kutooenda
kunorara ndokubva ndaona
munhu achisvika pamba
nekabag.

"Tisvikewo," akadaro
ndikaziva voice racho ndikati,
"svika."

"Kwakanaka hako?"
Ndakamubvunza Portia
achipinda mukitchen
ndokuramba akandinyararira
ndikadzokera mukitchen.

"Uri kudei pano?"


Ndakasvika achibvunzwa
naDenny akati, "ndadzingwa
kumba."

"Ukanzi uuye pano here?"


End of chapter
On Sale

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900
Chapter 29

Nyasha

Ndakasimudza Tinashe
ndichienda naye kubedroom
kuti asanzwe mashura
aPortia nababa vake. Denny
akauyawo kubedroom
ndichidyisa Tinashe
akanditambidza plate yangu
iya yaiswa husavi
hwechimunya chaMai Denny.
"Ndave bho," ndakapindura
ndichitura mafemo zvikanzi,
"ungaramwa sadza nekuda
kwamai Mamoyo?"
"Handina kuramwa Denny
but ndangofizuka
ndichazodya kana
ndazonzwa nzara."
Ndakapindura ndichigadzika
plate pasi. "Watsamwira mai
kana kuti kuuya kwaPortia?"
Akabvunza achigara pabed
ndokusimudza Tinashe
achimugadzika pamukumbo.
"Tozotaura mangwana
ndoda kuzorora
ndakunogeza ini," ndakadaro
ndichibuda mumba
ndichienda kukitchen
kunotora mvura yangu
yekugeza yandaive ndaisa
paside pemoto kuti ibve
chando. Ndakasvika Mai
Denny vachigezera maoko
avo muchimugomo chaive
chakazara mvura apa
vachiziva kuti ndeyangu.
"Tora mvura unogeza
muroora maoko angu anga
asina tsvina aya zvanga
zvingori zvimasadza chete,"
vakataura vachipukuta
maoko avo nechemumoyo
ndikati, "chero yanga isina
masadza handaiigeza." Mai
Denny vaingoti kana voda
kuweta voenda kuseri
kwemba votoita ikoko
vapedza votopukuta
nemaoko and hameno kuti
vaizvifambisa sei kuti
iyerere? Waitoona munhuwo
achipukuta otokwiza maoko.

"Ko woisiya here? Mamoyo


uchaita chiramwa chisina
basa muroora kana kuti
kundisema," vakadaro Mai
Denny ndikabuda
ndakanyarara ndokunogeza
inotonhora iyoyo. The
following morning
ndikamukira kubasa
ndikasiya Portia achitsvaira
chivanze nekuunganidza
marara. Palunch Denny
akandishanyira kubasa
nepizza ndikati, "uri
kunyengerera chii?"

"Zvimwe tendawo Nyasha


ndatoendera kuMasvingo
kunokutsvagira pizza iyoyi
ndokubvako mota iri mu180
kuti ndisvike ichidziya,"
akadaro ndikati, "don't make
me feel bad Denny."

"Kungoti thank you


kunorema here? Ndosaka
mai vati hautende," akadaro
achiseka ndikati, "zvatanga
sei izvozvo?"

"Handide makuhwa ini


chidya isati yapora,"
akataura achisimuka kuti
anodavirira call kusina noise
ndokusara ndichidya.
Akadzoka ndapedza
zvikanzi, "wadya wega kana
kuti?"

"Eight pieces idzodzo Denny


ndidzo dzaungatobvunza kuti
dzafamba sei?"
Ndakabvunza ndichimuseka
ndaona reaction yake yaive
yemunhu aida kuti tidye tese.
"Nyasha hauite," akataura
achigara pasi ndikati, "usade
kundivhara nhasi iTuesday
so patori nerimwe box unless
kana wanga wasiira mainini."

"Uyu muromo wakoka?"


Akataura akaunongedza
ndikati, "ndanyepa here?"
"Ehe wanyepa nekuti
ndasiira Nyasha nevana
kumba." Akadaro ndokubva
apukuta maziso ake ndikati,
"wabatikana nepizza
zvekutobutsa misodzi?"

"Nyasha I'm sorry," akadaro


andibata maoko ndikakanuka
ndichiti, "what's wrong
Denny?"
"I know it hurts but trust me I
never loved her," aitotaura
zvaPortia ndikati, "Denny
makatodanana zvekurara
pasina protection?"

"Hatina kumborara tisina


protection Mamoyo, believe
me," akataura semunhu
airevesa ndikati, "so ari kuti
kudii?"
"Hameno handina
kumbotaura naye nezuro
nhasi ndati uchibuda
ndikatobudawo ndikamusiya
achitsvaira tichatonzwa
nyaya dzake manheru,"
akadaro ndikati, "akati ane
nhumbu kee?"

"Nhumbu yedu here?"


Akabvunza ndikaseka
ndikati, "yedu as in?"
"Handiti ini newe tiri nyama
imwe saka ndati yedu,"
kutotaura ari serious
ndikamuti, "handide
zvekuseka Denny."
Takatandara kusvika lunch
yapera ndaona kuti
pachipatara pacho pasara
vanhu vashoma ndokutoona
kuti better kutongoenda
naDenny. Takatanga kusvika
nekustand kwedu uko
kwaakanosiya cement yaaive
anotenga kutown kwakuda
kundinyepera kuti anga
afambira pizza.

"Muri fast zvekuti kuzvinext


week uko ndenge ndatove
nefreedom," ndakadaro
ndichitsvaga kumudenha
zvikanzi, "I don't think so
babe?"
"What do you mean?"
Ndakabvunza ndiri serious
zvikanzi, "nezuro
ndakazotaura namai
nenyaya yekuripa vakati
kana ndichida kuti
vandiregerere tonogara navo
kunew house vana Donny
vosara pamba."

"Ukatobvuma Dennis pasina


kutaurirana neni nhaiwe?
Saka toti tiri kuitei?"
Ndakadaro
ndisingambovanze
kugumbuka akaseka achiti,
"iii veduwe wakatovenga
muchembere zvekudaro
ndanga ndichitamba ini."

"Hautambe neizvozvo
Denny," ndakataura
ndichimurova kambama
zvikanzi, "look who's
coming." Ndakatarisa
kwainongedzerwa ndikaona
ari Portia achisvika nechikafu
chemabhiridha. ChaDenny
chaive mudheka akatouya
achitopfugamira Denny
nekumugezesa maoko
zvandaive ndisati ndamboita.
"Uri sei Portia?"
Ndakamudaro ndokudavira
akatarisa pasi achiti, "ndiri
right maiguru." Ndakasekera
mudumbu kunzi maiguru
naPortia.

"Ko ini handigezeswe maoko


here?" Ndakabvunza
zvikanzi naDenny, "rega
ndikugezese."
Ndakagezeswa maoko
tikatanga kudya sadza rake
akati tizu asi harina kure
kwarakasvika ndikanzwa
kuda kurutsa ndokusimuka
ndichinorutsa.

"Kukara Nyasha," akadaro


Denny achindibhabhadzira
musana ndikati, "iwe hakasi
kekutanga hameno zvandiri
kunzwa ndikangodya covo.
Remember kuswera zuro
ndakarutsa futi."
Akangosmiler akanditarisa
ndikati, "let's hope kuti
munhu wako haana zvaisa
mufood."

"Come on babe anga


asingazive kuti tiri kuno,"
akadaro Denny ndikasimuka
ndichiti, "seriously you don't
know vanhu vemuno. Shoko
rinenge ratosvika kwaari kuti
tiri kuno dai anga asina
kuziva kuti uri kuno sadza
rako raizoiswa mudheka?"
"Rega ndinomubvunza kuti
aisei," akataura achifamba
ndikati, "siyana naye I'm fine
now after all ndoda
kutomboita matest because
handina kuenda kuperiod."

"Ndakakubvunza paya ukati


mapiritsi auri kunwa,"
akadaro Denny ndikati, "gore
rino uchahwa nekuforoma
zvidhinha kuti uchengete
vana." Haana chaakataura
ndokubva tatoenda kumba
tikasvika Mai Denny
vakabereka Tinashe
vachimunyararidza ari
kumusana.

"Ndimbuya vake avo,"


akadaro Denny ndisina
zvandataura ndikati, "wanga
usingazvizivesu?" Mai Denny
vaive vamboda kuitira
Tinashe attitude mazuva
ekutanga ndokuzopera
zvishoma nezvishoma
kutoona vachitomufarira asi
ndaingonamatira kuti
kakumufarira kavo kange kari
kelove yambuya chete kwete
kuzomufarira semafaririro
avaiita Denny.

Vanhu vapedza kudya ndipo


pakazopinda nyaya yaPortia
aiti ane nhumbu ine four
months yakabata pakuputika
protector.

"Iwewe pano wauya kuzodii


uchiziva kuti Denny ane
mukadzi?" Vakabvunza tete
Shuvai zvikanzi, "handi ndiye
muridzi wenhumbu plus
paakandipa nhumbu yacho
anga asina mukadzi tete."
"Wakadii kuuya ipapo
pawakaona kuti une
nhumbu?" Vakabvunzazve
tete akati, "ndakatozviona
last week kuti ndine nhumbu.
Ndanga ndatorambana
naDenny chero
mukamubvunza kuti
ndakapedzisira kutaura naye
rini. Nyaya yenhumbu ndiyo
yazondidzingisa kumba apa
ndiri kuda kungogara kusvika
vakoma vangu vari kuHarare
vandutumira mari ndobva
pano."

"Ko baba vemwana


hauchade here Portia? Baba
Ishe havana kumboramba
nhumbu saka dzikama.
Nyasha waunoona adzika
midzi apa anga asingatodiwe
zvese nemwana wake asi
akaramba ari pano hauna
kwaunoenda nemwana
wedu."

End of chapter
On Sale

Mamoyo
Written By Rue M
0788357900

Chapter 30

Nyasha
Mai Denny ndakaona kuti
vaive nepoint nekuti kuri kuti
Portia ashingirira kugara
asingadiwe kuzoona azvara
ari pamba handi raizove
barika automatically and iye
Denny wacho aigona
kupedzisira anzwa tsitsi
akamuda kana kumubika
bika nemushonga
zvikashaya basa nekuti
statement rekuti vakoma
vake vari kuHarare kana
vamutumira ndipo
paachabva raive rembanje.

"Ini hangu handigare


pabarika so it's up to you
Denny kuti ndiyani ogara
pano kana kuti ndiyani
oyenda," ndakadaro
nekumubuda mukitchen
macho ndichienda kunorara.
Denny akatevera achiti, "ko
chii Nyasha?"

"Chii chii chauri kuti chii?


Musade kundipusisa namai
vako Denny asi kana wada
kutora Portia tora zvako ini
ndobva pano nekuti
kuparikwa handide zvangu."
Ndakadaro akagara paside
pangu zvikanzi, "handina
kumboti ndoda barika."
"Wati uri kudei saka?"
Ndakabvunza nehasha
zvikanzi, "calm down babe."

"Usandiudze kuti calm down


iwe uchida kuti munhu wako
agare pano please,"
ndakapedzisa kutaura
ndafunga musoro
ndokunzwa Denny achibuda.
Handizivi kuti akazodzoka
nguvai nekuti ndanga
ndarara. The following
morning akandimutsa ariye
achibvunza kana ndaienda
kubasa. Handina
kumupindura ndikaenda
kukitchen kunodziisa mvura
ndakanyarara. Hapana basa
repamba randakaita
ndakamirira mvura kuti ipise
ndatozviudza kuti muroora
wavo ndiye achaita zvese.
Ndakuda kunotora mvura
kukitchen ndipo pandakaona
Portia achipesanisa
twukumbo akananga
kukitchen.

"Mamuka sei?" Akadaro


ndakati, "ani?" Akaseka asati
apindura ndokuzoti, "imika
maiguru. Mamoods
haabhadhare aya vakoma
because i'm here to stay dai
tatokasira kutamba tese
tijairane murume ndewedu
tese." Of course ndanga
ndisingapindure zvakadaro
saka ndakamunyararira
ndikasimudza chitin changu
akandivhiringidza ndakuda
kubuda padoor mvura sarini
ikadeukira mumakumbo ake.

"Wanya," ndakadaro
ndichisimudza chitin munhu
ngaaridze mhere yakamutsa
vanhu including Denny.
"Kwakanaka here?" Mai Firi
vakabvunza zvikanzi,
"ndadirwa mvura
namaiguru."
Akatondinyepera ipapo
nekuti iye ndiye aive aita
makwikwi neni ekubuda
padoor achindipatikidza
ndakabata chitin so
pandakaregedza chitin
aitarisira kuti ndini
ndichatsva.

"Nhai Nyasha wamupisa?"


Denny akabvunza
ndikanyepa ndichiti, "ehe and
ndichamupisa everyday as
long as ari pano."
Ndaitotaura ndakazvitemba
ndichida kuona achiti
nyon'oro especially Denny
ndiye wandaive ndichida
kunzwa kuti anoti chii. Iyewo
akaita seanyumwa
ndokutobva pataive
achinotora makwati ekuisa
mumoto. Mai Denny
vakasara vondiudza kuti
ndinoroya.

"Ndakutoona kuti kuroya


hakuna kuipa mhai chero imi
ndakukunzwisisai,"
ndakavipindura ndichipinda
mukitchen zvikanzi, "uri
kuzama kureva kuti chii
Mamoyo? Ndoroya here ini?"
Vakabvunza vachindivinga
mukitchen nechemumoyo
ndikati, "how funny muroi
haade kunzi anoroya asi
kupumha vamwe."

"Mamoyo kuri kuti Denny


azotora umwe mukadzi
anenge amutorera nekuda
kwemuromo mako
unotaurisa muroora,"
vakatanga kunditsiura Denny
auya achikutidzira moto
kusvika mvura yaboiler akati
tiende kunogeza. Ndaisada
zvekugeza naye asi nekuda
kufinhura Portia
ndakabvuma.

"Babe usaite hunhu


hwevakadzi vepabarika,"
akandidaro takugeza ndikati,
"ndadii?"

"Hapana hako but don't let


Portia's words affect you
because aripo pakukufinhura
chete," akataura
achindigezesa musana
ndikati, "saka achandifinhura
kusvika rini?" Pane kuti
apindure akabva andibvunza
kuti, "do you trust me?"
"Ko izvozvo zvabva nepi?"
Ndakabvunzawo zvikanzi,
"Portia ndewekutarisa chete
and trust me everything will
be alright by next week, i
assure you." Takapedza
kugeza ndichingoudzwa kuti
Portia haana kana basa
achabva pamba ega
pamudhaka. Kubasa
ndakaperekedzwa
ndokudzoka kuzotorwa zuva
ravira asi handina kuzosiiwa
kumba munhu akumhanyira
kwaNyika kunotora
maasbestos.

"Oh Lord help me,"


ndakadaro ndaona Mai Ishe
vachibva nepamukoto
vakatondidana. Ndakafamba
zvishoma kusvika vandibata
vakandimhorosa nemufaro.
"Chaunovavarira chii pana
Denny nhai Mai Tinashe?"
Vakandibvunza ndikati,
"handisi kuvavarira anything
mother."

"Zvino uri kutsvirei netea


isina sugar?" Vakabvunza
ndikati, "nditori murwere
wesugar saka handidye
zvinhu zvinotapirisa."
"Evo chingoti nhamo yako
munhu ndiwe unoiziva but
handimbode kukufaker Mai
Ishe, barika harina kukufita
shame. Ndanzwa
nemasource kuti Denny ari
kuramba Portia asi ari kudii
kumudzinga pamba?
Anomunzwira tsitsi pachii ivo
vabereki vake
vakamudzingawo plus kana
achinyatsoziva kuti nhumbu
haisi yake anomusekererei
Portia. Vangani vanhu
vakarambirwa nhumbu muno
muraini? YaPortia
yozoshamisa chii nhai Mai
Ishe and ukada kubvunza
vese vakaparikwa
vanokuudza kuti
vaingovharwa sezvauri
kuitwa. Munhu musvinu svinu
sewe ungashaya kana doctor
one kuchipatara ikoko?"
Kuraira kwacho kunge rudo
Mai Ishe. Takasvika tese
pamba vachida kuona Ishe
wavaive vatengera masocks
ekuchikoro.

"Sister Holy," ndakavanzwa


vachidaro kuna Portia ndiri
mubedroom mangu akati,
"Mai Ishe siyanai neni."

"Ndakubata here nhai


mwanasikana? Hwakaomaka
hupenyu ukati rega utaimire
varume vevanhu kuti
zvibude?" Mai Ishe vaive
vasina kunyanya kusiyana
naMai Denny kamuitiro kavo
kekudenha munhu vachiita
sevari kutamba. Vakaenda
naIshe Denny akasara
achisvika sisi vakazvimbirwa
nemashoko aMai Ishe.
"Kasi wanetsana naPortia
futi?" Akandibvunza Denny
ndikati, "ndine zvakawanda
zvekuita ini."

"Oh saka aita sei? Haana


kunditi maswera sei baba,"
ndakaseka adaro ndikati, "uri
baba vake here?"

"Zvakaoma iwe apa nhumbu


yacho yatokura
zvekuonekwa kudarika
zvayakauya yakaita,"
akataura zvekuda
kundikwapa ndikati, "uri kuita
basa rekutarisa dumbu
reumwe mukadzi uchitadza
kutarisa rangu."

"Iwe dumbu rako ragara


harikure but this time around
ndoda kukuspoiler babe
kusvika wapona," akataura
achirara padumbu ndikati,
"unokuvadza mwana kani."
Kwaingove kunyeperana
sevanhu vaifungidzira kuti
nhumbu yavepo. Ndakabva
ndatofunga kunotestwa
kuchipatara the following day
ndokuonekwa zvesure
ndinayo ine five weeks.
Ndakaenda kumba
ndisingazive kuti ndofara
kana kuti ndorega.
Ndakasvika kumba
ndichipihwa mari yemasofa
yandainetsera neimwe
yeproperty ndikawedzera
neyandaive nayo ndokubva
ndatoona kuti zviri nani
kuenda kuMessina
naChenge aive akudriver
magonyeti ndotenga zvinhu
zvangu ndouya netransport
yemahara. Aive ari mwana
watete wandakambogara
naye kuMasvingo saka
taipindirana zvakanaka. Zuva
iroro ndakabva ndanosiiwa
kwaNyika naDenny kubasa
kwanga kusina pressure
sezvo kwanga kune Easter
holiday. Ndakadzoka after
four days tikangonanga
nezvinhu kustand kwanga
kwasara kuiswa floor. Vaive
vaita fast vana Denny
sevanhu vaiziva kuti
kwaMhangu kwaipisa.
Ndakaenda kumba
naChenge uko
kwatakasvikira mariro ababa
Denny vaive vazvisingirira
kumafuro.

End of chapter
On Sale
Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 31
Dennis

Machemero aiita mai


asingavazive aivanzwira tsitsi
achiti varasikirwa zvikuru.
Maziso kuzvimba voice
kutoshoshomera nekuchema
muroora wavo Mai Firi
vamwe varoora vari busy
kumapoto aingo famba
famba achitiza basa.
Mudhara akachemwa
nevanhu vakawanda
semunhu airemekedzwa asi
vanhu vepamba vaitoziva
kuti hapana hapana. "Iwe
machemero aMai Ishe bho
here?" Akandizevezera
Nyasha achinditambidza
chikafu ndikati, "vamwe
vanhu vane moyo
inorwadziwa."

"Ngakunge kuri kurwadziwa


chete otherwise," akadaro
achindigeza maoko ndikati,
"zvakatanga rini izvi?"

"Ndakadzidziswa namainini,"
akadaro akadzikamira
ndikati, "taura makuhwa ako
zvakanaka."
"Mai Ishe varasikirwa shame
baba vako vanenge vaive
ma1," akataura achigara
paside pangu ndokumuti, "uri
kuvaviwa nei nemisodzi
yaMai Ishe?"

"Denny ini ndiri kuvanyarira


machemero avo haana kana
hunhu hande panze
unovaona," paakadaro
ndakaona kuti ndikasanyeya
naye sadza ringatopora
ndokubva ndati, "handiti
vaidanana here baby so it
must be hard for her."

"Pane nyaya chete Denny,"


akadaro achidongorera
panze ndikati, "please find
out."

"Thank you," akadaro


achibuda panze ndikasara
ndichiti, "makore ndiwo
awanda chete apa asi
pfungwa hadzichinje.
Ndapedza kudya ndakabuda
panze ndikaona hoyo
Nyasha akabata Mai Ishe
achivanyaradza. "Mati
mwana osara ari nherera
here?" Vakachema
vachidaro ndikasazviisa
mumusoro Donny
ndokuzonditi, "vari kuti chii
Mai Ishe?"

"Hauvazive here kuda


kutsvaga attension uku,"
ndakadaro ndichigara pahuni
zvikanzi, "hakuna zvakadaro
Denny."

"Iwe hauna kusiyana


naMamoyo pfungwa dzenyu
dzinofambirana. Ndisvitse
cup iyo nditombonwira nwira
Mamoyo asingandione,"
ndakataura ndichitarisa
kwaive naMamoyo. "Kasi
wakarambidzwa doro?"
Dione akabvunza achisvika
pataive ndikati, "machurch
atakadaka aya manje
Mamoyo akandiona
ndichidzvuta dzvuta
zvatoipa."
"Vanokugonai asi gulez,"
akadaro Donny asi hatina
kuzomupindura attention
yaenda kuna Mai Ishe vaive
varamba vachiti mwana
achaita sei kusvika vabuda
pachena kuti Kundai mwana
wababa. Kundai aive netwo
years and ivo vanga vasina
kumbotaura kuti mwana wani
uye hapana akada
kuzvitsvagawo nekuti taive
tasiyana nezvavo. Mai Ishe
yaingove mvana yemuraini
saka aitongesana nemvana
ndiyani?" Ndakambofunga
kuti vaive vazvitaura
nemistake ndokutozoona kuti
vairevesa. Vakatopukuta
misodzi ndokukumbira mai
ruregerero nekutotaura kuti
zvakafamba sei kuti
vamitiswe nababa. Munhu
kwakutoburitsa birth
certificate raKundai muskirt
achiratidza vanhu kuti
vagutsikane mai vakafenda
neshock.

"Abva akatozvironga and ari


kuitira nhaka munhu uyu,"
Donny akadaro Dione akati,
"aah bva vanotora danga
rese nekuti isu mombe idzo
hatitodzide zvedu." Mai Ishe
vakabva vavhurira vamwe
vakadzi mukana wekutaura
kuti vane vana nababa.
Pakasimuka vamwe vaviri
umwe achiti ane vana vatatu
nababa umwe achiti ane one.
Takavanyarira baba asi
zvekuita paive pasina apa
kutarisa vanhu vacho vaive
vechidiki sewekuti ane
mwana one navo aive zera
raMamoyo akasvika
kutoshaya kuti akadei
chaizvo padhara rinenge
baba.

Izvozvo zvapera vanhu


vehukama vakatanga kupa
maspeech kusvika turn
yangu ndikaramba Donny
akazotaura akandimirira
akangoti, "handina
zvakawanda zvekutaura
kunze kwekuti mweya wavo
ngauzorore murugare."
"Mufi anoremekedzwa
Denny," vakandidaro mai
ndikati, "ehoi." Zvaive
zvotonyadzisa kusimuka
ndichitaura nezvavo nehunhu
hwavo apa vakadzi vaiimba
pamariro vaitibvisa chimiro
nekanziyo kavo kekuti,
"Mhangu aive hure tipeiwo
nguva yekuchema hure
redu." Ndaingodemba kuti
dai zvese zvaitwa zvachipera
vanovigwa.

As if ndondo yavaive
vationesa was not enough
takafonerwa nanabamunini
vaive vaenda kumortuary
kunovatora baba vati vari
kuramba kukwana mucoffin
vakafuta. Luck enough
bamunini vaiita zvekuveza
mucoffin saka vakamhanya
kwaNyika kwavaivezera
kunoita kiya kiya kuti vawane
coffin rakati kurei.

After three hours vakafona


vachiti vakudzokera
kumortuary ndokubva
ndangoendawo kuti
ndisazonyanye kuvaremedza
tikasvikirana kumortuary
munhu akaramba futi
kukwana mucoffin.
"Zvinenge zvine chivanhu
mukati izvi," vakadaro
bamunini ndikati, "chivanhu
chei munhu akazvisungirira?"

"Mukoma vanogona
vakatsamwa Dennis,"
ndakaseka bamunini
pavakadaro. "Kutsamwira ani
wavo ini ndine zvakawanda
zvekuita pane kunyengerera
kuti munhu apinde mucoffin.
Kumba kwangu kuri kuda
kutoiswa cement kutaura
kuno." Ndakataura
ndakatotsamwawo zvikanzi,
"iwe ukatsamwa
zvinozobuda here Denny?"

"Manje ndoita sei kana vasiri


kukwana mucoffin? Tovaviga
vasina coffin racho it's not
like vakavigwa vari mucoffin
vanoenda kudenga kana kuti
havaore." Kuzongodaro
ndakaitwa muipi
nanabamunini but I didn't
blame them sevanhu
vaisanyatsoziva hunhu
hwemukoma wavo.
Vakatofonera madzibaba
vavaiziva kuti vauye vaite
chikaranga chavo vakatanga
kutaura zvenhema hanzi
vakatsamwira kuti hapana
akavatarisa mazuva avaive
vakupenga.

Surprisingly pavakaita
minamato yavo
zvakatoshanda
vakatozopinda zvakanaka
tikaenda navo kumba.
Takaenda navo vanhu
vakasvika vachiita body view
ndokutoenda kumakuva
because nekuda kwecovid
zvanga zvisingaite kuti
varare pamba. Kumakuva
kwacho pasi pangachereka?
Paive pakaoma separuve
kutoshaya kuti chii chaitorera
nzvimbo. Chingoti zvaisaita
kuti nditaure kuti kana
zvaramba topisa hedu.
Vakuru vadeketera
vadeketera ndipo
patakazotanga kuchera.
Takabvako kuma6pm
ndokuenda kumba. The
following day vanhu vakabva
vangoita zvekugova zvinhu
zvababa. Vanhu vepamba
vaive vakadzikama hama
dzichitemesana musoro
pamombe dzababa including
vana Mai Ishe vaida kuti
vana Kundai vakwane
mushare. Mai vangu chaivo
vaive vakarelaxer ndikati
ndiko kukuraka uku. Ivo vana
bamunini havana
kunyumwawo kuti sei isu
taisava nehavi nepfuma
yababa.

Zvemaassets zvapera
pakabva pabuda muromo
wekuti mai vagarwe nhaka
ndikakasira kuti, "kugarwa
nhaka yei munhu akura
kudai. Kana mune shungu
dzekugara nhaka garai vana
mainini ava."

"Ko iwe unorambira mai


unoziva zvavanoda here?"
Vakadaro mainini
ndikasimudza maoko ndichiti,
"itai zvamada ini ndabuda
mazviri." Ndakabva padare
ravo ndichida kuenda
kustand kwangu Donny
akazongondibata achiti
ndimire vanhu vatange
vapedza zvedare ndoenda
zvozoita sendazvidza vanhu.
Ndakangogara chero moyo
wangu waisava panzvimbo
nekusvotwa nezvese zvaitika
pamba. Mai pavakazopa
bamunini dish nekuvagezesa
maoko ndipo
pandakazofizuka to the
fullest chero Donny wekuti
ndimirire dare ripere ndiye
akatanga kusimuka.
Vanhu vaparara ndakasara
ndonetsana namama kuti
vaive vazviitirei zvikanzi,
"handina kuti ndoda kuita
mukadzi wabamunini vako
ini."

"Zvino kuvagezesa maoko


ndiko kuita sei nhai mhai?"
Ndakabvunza zvikanzi,
"ndangoti vaite
musarapavana chete kwete
kuti ndave mukadzi wavo
wepiri bodo."

"Musarapavana vapi iye


Fungai gotwe renyu ave
ne22 years?" Donny
akapinda mubedroom mavo
achivabvunza zvikanzi,
"handidi zvekutongeswa
nevana ini."

End of chapter
On Sale

Mamoyo
Written By Rue M
0788357900

Chapter 32

Nyasha
Ndaifamba zvishoma
nezvishoma semunhu aizeza
kusvika kumba kunonetsana
naDenny. All along ndaiti
kana takugara pedu tega
nhamo inopera asi
yakatowedzera
tisingachataudzane. Ndaive
ndakunyatsodemba
chandakadzokera kumusha
nekuona kuti zvandaive
ndaudzwa naMai Ishe zvaive
zvechokwadi. Ndakati regai
ndipfuure nekwaMai Denny
ndichitora Tinashe ndokuona
baba vacho variko vakamira
paside pechitara naPortia.
Achingondiona Denny
akabva aoneka asina kutaura
neni iniwo kwakutora mwana
wangu.
"Maswera here maiguru?"
Akandisweresa Portia
ndikasamudavira zvikanzi,
"zvino munosvikepi
musingataure neni nhai Mai
Tinashe. Jairai zviripo kana
kurova pasi nekuti ndofunga
makuzvionera mega kuti
hakuna kwandinoenda and
iye Denny mazuvano ari
kuwandira kuno." Handina
futi kumupindura
ndokubereka Tinashe uyo
akasvibisa uniform yangu.

"Mwari honai ndakudadirwa


naPortia chaiye imi
makangotarisa," ndakadaro
nechemumoyo ndakuenda
kumba. Tinashe achitaura
nyaya dzisingapere ari
kumusana kwangu. First
thing ndichisvika kumba
ndakagezesa Tinashe
mudhara vacho vakasvika
ndakumupfekedza.

"Unogezesa mwana
nemvura inotonhora this time
dzirimo here? Iwe chero
kukapisa zvakadii haugeze
nemvura inotonhora asi kuda
kuurayisa mwana wangu
nechando!" Akapinda
mubedroom achidaro nekuda
kuavoider noise ndikaramha
ndakanyarara mwana wacho
akazvidavirira kuti mvura
yaive ichidziya. Mvura iyoyo
ndaive ndaiburitsa panze
ndikaiisa pamushana
makuseni ndichienda kubasa
ndokutodzoka ichidziya.

Ndapedza kupfekedza
Tinashe ndakamupa
mabiscuits nedrink zvandaive
ndatenga ndichida kudya
ndiri kubasa ndikashaya
appetite. Akafara Tinashe
achimhanya kunext kunodya
nekashamwari kake. "Apa uri
kuzama kuita sei?"
Akandidaro Denny mwana
abuda ndokuramba ndiri
pasilent semazuva ese.
Ndakabuda mubedroom
ndikaenda kukitchen
kunovesa moto akanditevera
achiti, "iwe Nyasha usade
kundiita benzi wanzwa?
Pamusoro pekundihurira uri
kutonditsamwira futi!"
Ndakasarudza
kumunyararira futi
ndikaramba ndichibatanidza
huni.

"Nhaiwe kana usingachade


nezvangu haubve pano
wodzokera kuchipatara
kwako?" Paakadaro ndipo
pandakazoti, "ndakati ndiri
kuda mwedzi chete
ndibatanidze zvinhu zvangu
ndiende kuHarare."

"Icho chikomba chako chiri


kutadza kukubatanidzira
zvinhu zvako here ukasire
kubva?" Ndaona aramba
akatsimbirira nyaya
yechikomba ndakabva
ndatora phone yangu
ndikadailer number dzaDr
Chafa akatarisa vasati
vadavira akabvuta phone
yangu aichirovera pasi
nehasha ndikati, "what's
wrong now?" Haana
kupindura akafemereka
akatsvukisa maziso ini
nehugwara ndikabuda
mukitchen fast ndokukiya
door nekunze.
"Nyasha vhura door iri kana
uchiziva zvakakunakira!"
Akandivhunditsira ari mukati
ndikati, "ndakumboenda
kwaMai Puro kunotaura naDr
Chafa paphone yavo
ndivaudze kuti vanditengere
imwe phone sezvo wauraya
iyoyo. Kana ndapedza
kutaura navo ndipo
pandichazodzoka
ndichikuvhurira." KwaMai
Puro kupi kwandaienda?
Ndakapinda mubedroom
ndokuburitsa zviwashen
zvaivemo ndokuwacha
ndichifambisa nguva
nekumirira kuti Tinashe
adzoke sezvo ariye ainyarwa
naDenny orega kundiitira
mashura. Tinashe akadzoka
ndakuyanika hembe
ndokumhanyira kukitchen
akasvika achivhura door
sezvo makey acho aivepo.

Ndakaona Denny
akusimudza Tinashe achiuya
nekwandiri akasvika achiti,
"nhasi tiri kunorara kuzasi."
Kumba kwamai vake
kwaireva saka ndakati, "no
problem but siya mwana
wangu." Tinashe buruka
ndoda kuenda newe kutown
mangwana," kungodaro
kakaburuka fast fast zvikanzi
naDenny, "thanks
nekundisunungura rega
ndiende ndiri free." Kwaive
kuda kunditokonya saka
ndakati handitokonyeke
ndokubva ndamuti, "newewo
thanks nekundipa freedom
Dr Chafa vanogona kuchiuya
pano vakasununguka."

"Saka bho wangu," akadaro


achifamba ndokumira anzwa
Tinashe achijamba jamba
nekufarira Dr Chafa. "Tina
enda unotora hat yangu
mubedroom," akadaro
Denny. Tinashe akaenda
achimhanya zvikanzi, "does
this mean kuti wakatanga
kuhura naDr Chafa kare?"

"I didn't get you," i said


zvikanzi, "Tinashe aratidza
kuti anoziva chikomba chako
so makatanga kudanana
kubva kare."

"Oh Tinashe akatanga kuziva


Dr Chafa ari mudumbu my
darling and Dr Chafa was
always there for us,"
ndakataura zvekumusvotesa
zvikanzi, "hoo saka
chakazoita kuti undidzokere
chii?" Ndakambopererwa for
a moment ndokuti, "i wanted
to trouble you by the way
chiita ufambe fambe vakadzi
vako vakakumirira."
Akakanda tsoka nehasha
ndikasara ndochienda
kwaMai Puro kunotaura naDr
Chafa paphone kuti vandiitire
plan nekuti marriage yacho
yanga isisina kana hope.
Unfortunately phone yaDr
Chafa yakabva yaramba
kupinda ndokudzokera
kumba ndatove nowhere.

Ndasvika kumba ndichibika


chikafu changu nemwana
wangu ndakutopakura
ndokubva ndaona mota yaDr
Chafa ichisvika payard
pangu. Tinashe paakavaona
vachiburuka akamhanya
kupotsa kudonha. "My baby
doll," vakadaro Dr Chafa
vachisimudza Tinashe uyo
akatanga kubvunza
machocolate. Vakambotaura
nyaya vakamira
ndokuzopinda mukitchen
vachiti, "Nyashadzashe
Moyo."

"Nyasha Moyo chete,"


ndakadaro vakaseka vachiti,
"but muchembere vako
vanopererwa nemazita kuti
Grace naNyasha?
Zvakangofananaka asi chii?"

"Ko zvakaipei nhai?"


Ndakapindura ndichiseka
zvikanzi, "hazvina kuipa asi
hazvingoite iwewo ukabva
watotoredzera katsika ikako
wakupa mwana wedu zita
rekuti Tinashe waDenny
achinzi Isheanesu, what's
wrong with you guys?"
"Handina kana
kumbozvifunga munoziva?"
Ndakadaro zvikanzi, "ndiwo
muitiro wako iwoyo."

"Haikona kudaro but pabirth


pangori naTina chete ndizvo
zvakada Denny." Ndakataura
ndichiisa mvura pamoto
yekuti tiurayire muenzi huku.
"Handei panze munouraya
huku handi moziva kuti ini
handizvikwanise?"
Ndakataura
ndichivatambidza banga
zvikanzi, "no wonder
wakazonyimwa nyama vana
Nyasha muchatinetsa."

"Kunetsa kupi ndenge


ndichitotya," ndakapindura
ndakuenda kuchirugwi
kunotsvaga huku yekubata
zvikanzi, "saka murume
wako atori serious naPortia
kana kuti ndezvekutamba?"

"Pane serious inopfuura iyoyi


here? Handiti apa atondiudza
kuti ndokwaari kunorara?"
Ndakadaro zvikanzi, "inga
zvakaoma but don't worry i'm
always there for you."
"Ndozvandokudirai,"
ndakadaro ndichiseka
zvikanzi, "iweweka?"

"Ko ndadii hangu?"


Ndakataura
ndichivatambidza huku vari
busy kurodza banga Denny
kwakubva apindira. I faked a
smile ndakamutarisa
akaridza tsamwa
yakavhundutsa Dr Chafa
vanga vasati vamuona.
"Hautonzwe kunyara ipapa
Nyasha nehunhu hwako?"
Akabvunza achiratidza
kusemeswa neni ndikati,
"ndakazvikopa kwauri zvese
zvandiri kuita bamwana."

"Mai vaive right nguva yese,


mwana wehure ihure and
hazvichinje hauna kana
kusiyana namai vako," ipapo
ndipo paakairaaa Denny. Dr
Chafa vakasiya banga
neholy yavaive vabvisa
musoro pasi vachiti, "come
again."

"Kana uri sewe nyarara


zvako hauna chaunondiudza
uri pamba pangu,"
akapindura Denny achisunda
sunda Dr Chafa avo vakati
havasundwe vakamira
vakamurova chibhakera
vachiti, "haikona kuda
kushamisira nekuti
hauchadiwe hausiwe
wakatanga kumitisa tsikombi
dzemuraini here so Nyasha
mhosva yake ndeyei kana
asingachakude?"

"No problem zvawauya


zvawanaka chiita uende
nehure rako asi mwana
wangu mosiya," akadaro
Denny ndikati, "mwana wako
upi nhaiwe?"

"Usade kundinzwa iwe!


Handi apa wakabvisa
nhumbu kuti uzvarire
chikomba chako? So endai
zvakanaka muri vaviri
monozvarisana nekuita
chihure chenyu kure neni."
End of chapter
On Sale

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900
Chapter 34

Dennis

Eight yakazochaya tatosvika


pacourt apa tauya mhuri
yese yaive yauya. "Ari kuuya
here Mamoyo wacho?" Mai
vakabvunza vaona nguva
dzekuti tipinde mucourt
dzakutosvika Nyasha asati
asvika. "Handizivi mhai asi
akati ari kuuya,"
ndakapindura ndakatsikitsira
zvikanzi, "imbomufonera
unzwe kuti avepi."

"Phone yake haisi kuita


kubva neMonday,"
ndakapindura ndichisimuka
kuti ndifambe fambe ndifurwe
nemhepo nekuti nyaya
yaNyasha yaindipisa muviri.
It was hard to believe kuti
tanga tatorambana futi. "Are
you deaf!" Ndakapatika
ndanzwa voice riri familiar
richidaro ndokucheuka
ndikaona Nyasha akaburitsa
musoro nepawindow remota.
Ndakamudziurira akaparker
mota paside neyangu.
Ndakamutarisa achibuda
mumota nekufamba achiuya
direction yandaive. Zvese
zvaive akapfeka zvaive
zvakamugara and it was my
first time seeing her wearing
high heels. Aimuona
achifamba achizvikakata
aifunga kuti munhu musvinu
asingazive kuti once
angovhura muromo
waimushaya.

Akaita serious nephone yake


achipfuura nepandiri
ndikamuti, "Nyasha." Akaita
seasina kuzvinzwa akasmiler
nhema akatarisa paphone
pake. "Inga Harare
inokubvuma muroora kubva
wamenyeka ganda nesvondo
rimwe," vakadaro mai
vachimhorosa Nyasha
kushaya kuti hasha dzese
dzaive vakamuchengetera
dzaive dzaendepi.

"Muri sei mama?" Akataura


achizvida zvikanzi, "handina
mufaro kubva pawakaenda
muroora." Vakanyepa
zvakashamisa aizviti
muroora wepamoyo Portia.
"Hmm musadaro handiti
ndizvo zvamaida here kuti
ndiende," akataura
achizvitora selfie ndikatadza
kunzwisisa kuti aida
kundiratidza kuti
akatengerwa iPhone kana
kuti pane munhu waaida
kutumira.

"Kupiko taive tanyeperwa


neiyeyu Portia aizviita
ngirozi, hande pabvute apo
tinotaura pano
ungazokanganiswa nezuva,"
vakadaro vachibata Nyasha
ruoko akati, "I'm fine here."

"Nyasha ndokumbirawo
kutaura newe," ndakadaro
apa ndisina kana
zvekumuudza akati, "my
lawyer will be here any
minute so kana une
zvaunoda kundiudza talk to
my lawyer." Akataura ari
serious hana ikarova
ndanzwa word rekuti lawyer
apa ini ndanga ndisina
kufunga nezvazvo.

"Uri kutoona zvauri kuita


zvine musoro kuti mwana
akure asina baba vake?"
Ndakabvunza nehasha
zvikanzi, "oh there comes my
lawyer."
"Lawyer lawyer kudii?
Ndakazvara mwana
nalawyer here?" Ndakadaro
akati, "fine then let answer
you. Kana mwana ana baba
vanenge iwe it's advisable
kuti agare kure navo, it's for
her own good you see."
Handina kuzomupindura
nguva yedu yekupinda
mucourt yakwana. Tapinda
ndakazonyatsoona kuti why
malawyer achidiwa.
Ndakabvunzwa kuti why
ndaida kugara naTina
ndokupindura kuti, "ndini
baba vake." Same question
yabvunzwa Nyasha haana
kupererwa nezvikonzero
kusvika judge vagutsikana
ndikatoona kuti mamwe
mapoints aive audzwa
nelawyer chete nekuti
kadzoro kake kaisambofunga
zvese izvozvo.

Umwe mubvunzo wakadzoka


kwandiri uchiti why ndanga
ndisingade kuti Tina agare
namai vake. Apa ini ndanga
ndisina solid reason
ndokuzongoti, "handide kuti
mwana agare nastep father."
Mubvunzo iwoyo wadzokera
kuna Nyasha akabva ati, "dai
Dennis anga asiri ignorant
ndanga ndisina problem kuti
Tina agare nababa vake but
Dennis ari irresponsible.
Pandakadzokerana naye
ndakawana first born yake
yave nenine years but isati
yakuenda kuchikoro. Inini
ndokuzoshandisa mari yangu
kutsvagira mwana wake
nzvimbo yegrade one
kwaMarecha asi vese
nehama dzake vaisatoona
kuti mwana akura akadanira
kuenda kuchikoro. Imwe
nyaya inondishungurudza
inyaya yemaDNA, your
honour this man doubted my
daughter ndokuzobvuma kuti
mwana wake after a medical.
Thirdly handingambofare
mwana wangu musikana ane
three years, munongoziva
kuti vanhu vapanduka so i
want to safeguard..." Asati
apedza kutaura
ndakamukata ndichiti, "are
you trying to say that i will
abuse Tina?"

"I'm just stating the facts


here," akadaro achikwidza
mapendekete ndikati,
"uchitaura izvozvo? Tina
mwana wangu how can I do
that?"
"Kana uchimbokwanisa
kumitisa underage
chinokutadzisa kubata
mwana chibharo chii?"
Ndakapera simba ndanzwa
vangu mai vachidaro
ndikashaya kuti vaitwei
chaizvo because a few days
ago ndivo vaivhunditsira
Nyasha vachiti akasauya
nemwana anozviona.
Megistrate ndivo
vakazodaidzira order umwe
neumwe akutaura zvake. Mai
vakapihwa mukana
wekutaura zvikanzi, "Nyasha
handimufarire zvangu asi
apa ataura idi. Hazviite kuti
mwana mudiki agare nababa
vega. Dai anga ane mukadzi
zvaive nani zvino mazuva
apera akamitisa mvana
yakagara pakona akaramba
nhumbu akaronga kuti
anonomusungira mwedzi
unouya zvobva
zvatovharana. Ndiudzei kuti
mwana wacho angasaita
dahwa? Kuti gore rino agara
namai vake rinouya racho
nastep mother rinotevera
nevamwezve mai."

Ndakaona Nyasha nelawyer


rake vachizama kuzvibata
kuti vasaseke. Apa mai
vachingonditarisa nemaziso
ainge nyimo dzaramba
kuibva. It was just an open
and shut case Nyasha
akapihwa custody yemwana
pasina hustle zvikanzi kana
Tina ave ne18 years ndipo
paizosarudza ega kuti anoda
kugara naye. Vana Nyasha
ndivo vakatanga kubuda
ndokuzomuona akazembera
mota yake kuparking ari
paphone. Mai vakanditangira
kusvika pana Nyasha
ndokutanga kunyeya Portia.
Ndakaenda kuseri kwemota
yangu kuti vasandione nekuti
ndaida kunzwa zvavaitaura
nedeal raanga aita namai
kuti vandipandukire.

"Handitozive kuti Denny


munyama kana kuti kuroiwa
kuramba mukadzi wakaita
sewe. Mai Ishe vakamuhurira
nababa vake uyu Portia
izvezvi ane nhumbu
yaDonny. Kuswera zuro
chaiko akapihwa card
akatsvaira pay yese
achitengera vabereki vake
grocery Firi asati
abhadharirwa fees asi
dununu rinonzi Denny
harizvione." Ndakarwadziwa
mai vadaro kwete nekuti
ndaida Portia asi kuti vaiziva
kuti Donny ari kudanana
naPortia vasingandiudze.
Yes Nyasha anga azvitaura
asi ndakangoti kurwara
kwake nekuti agara munhu
ane pamuromo.

"Dennis motoshinga
kumunamatira samai vake
nekuti achafa ari rombe
nekuda kwevakadzi."
Akataura akadzikamira zvake
zvikanzi, "ari sei muzukuru
wangu?"

"Ari right zvake ndasiya


aenda kuchikoro," paakadaro
ndakabva ndabudikira
ndichiti, "may I have her
photos?" Ndanga nditori
neright yekumuona nekuti
megistrate vanga vati Tina
ndaifanira kubvumidzwa
kumuona iyewo achiuya
kumaholiday and paphone
ndaibvumirwa kutaura naye
nekutumirwa maphone.

"Bata phone yangu


zvakanaka please," akadaro
achinditambidza phone yake
ndokumudzosera ndisina
chandaona nekuti anga
anyanya kundidadira.
Ndakapinda mumota yangu
ndichida kutoimutsa ndirove
pasi ndokumira ndanzwa Mai
vachiti, "Dr Chafa vari sei?"
Nyasha looked surprised
ndokuzoti vari right zvavo."

"Mai Tina haudaro asi


ndakatozonzwa naGrace
zuro uno kuti Dr Chafa
ihanzvadzi yako." Ndakaita
shock ndanzwa mai
vachidaro zvikanzi, "neniwo
ndakatozviziva paya kuti tine
hukama nguva yese ndiri
kuMasvingo ndaingovaona
sasenior wangu kubasa."

End of chapter
On Sale

Mamoyo
Written By Rue M
0788357900

Chapter 33
Nyasha

Hondo yese yakaitika


Tinashe ari mukitchen
asingazive kuti baba namai
vakutopekesana mabag.
Hembe dzangu dzaiitwa
kubviswa muwardrobe
dzichikandwa mumoto.
Akanzwa nekuita maup and
down Dennis
takangomutarisa. Apedza
dzaive mumba akaenda
kunotora nyoro dzaive
pawaya akaisa mumota.

"Chirovai pasi," handina


kumupindura ndokuenda
kukitchen kunotora Tinashe
pakaita drama svinu
tichidhonzerana mwana. "Iwe
ndati mwana wangu hapana
kwaanoenda, zvarai wenyu
mhani!"

"Hezvo inga wani mukadzi


wako ane nhumbu? Uri kutya
kuti anogona kunge asiri
wako futi? No problem
unongomirira DNA dear asi
wangu mwana ndiri kuenda
naye," ndakadaro
ndichidhonza ruoko
rwaTinashe aive
akungochema. Dr Chafa
vakauya kuzotora mwana
vakaregedzerwa mbama
naDenny zvichinzi, "mupfana
siya mwana wangu." Dr
Chafa havana kuzviterera
vakapinda naTinashe
mumota. Ndakuda kuendawo
kumota Donny akabva asvika
pamba naMai Firi zvikanzi,
"mukoma munogwirei naye
musiyei aende mototi minus
problem nzenza yaenda."
Ndakaseka vadaro ndikati
ndagara ndiri kuenda
ndingaswera kugara
nemurume wechikwambo
kunze kwakazara varume
here?"

"Murume wechikwambo
ndiyani Nyasha?" Akabvunza
nehasha Denny ndikati,
"umwe ndiyani pano?
Wakazvitarisa akafitira kuita
murume wechikwambo
ndiyani. Iwewe utori nemhiko
yekusagara nevakadzi and
chero dai pasina mhiko
zvekuchengeta mukadzi zviri
kure newe ndosaka
wakatorerwa mukadzi
nababa apa wakuchinjapa
uyu Portia nemunin'ina wako.
Shame on you Denny,"
ndakataura ndichienda
kumota. Ndakuda kupinda
akandidhonza ruoko Donny
akauya kuzomudhonza
ndokurova pasi.Tinashe
anga aneta nekuchema
kusvika hope dzabata.

"Mai vake vakasevesa


mwana wangu apa
akundiudza kuti ndakabvisa
nhumbu momuona?"
Ndakadaro ndichichema
ndafunga musi wabva
nhumbu. Masikati acho
ndaive ndatonetsana naMai
Denny vakangonditi hariviri.
Denny ndikatomuudza kuti
matambiro amai vake
handimafarire akangonditi
ndini ndinovatanga
ndakasiyana naye ndaona
kuti anga achiri akatsamwira
nyaya yepamariro. Nyaya
yaKundai yaive
yamugumbura akapa
mhosva ini achiti ndini
ndakaprovoker Mai Ishe kuti
vataure zvaKundai. Apa
chainyanya kumurwadza
kusekwa nevanhu vemuraini
zvichinzi akatorerwa mukadzi
nababa ivo Mai Ishe vaiti
kana vofambisa zvavo bepa
voti Denny hapana chaigona
mubedroom. Aifemereka
netwo minutes apa pasina
zvaaita futi. So later that day
randakatukana naMai Denny
ndakati ndakarara
ndikatanga kungomonwa
monwa mudumbu
nekurwadziwa kumusana in
fact ndainzwa sekunge ndine
period pain.

Denny ndakamufonera ari


kudoro ndichimuudza kuti
ndarwara akangoti
ndozvinoita nhumbu
ndichapora. Ndakatsvaga
mapiritsi ndokunwa hope
dzikabata but the following
morning ndakamuka pasheet
pane ropa ndikazvitarisa
ndokuona kuti ropa raive
rabva pandiri. Ndakageza
nekukasika ndikaenda
kuchipatara kuti ndinotariswa
ndopandakanzi ndaita
miscarriage. Ndakatobva
kuchipatara ndacleaniwa
chibereko ndokusvika Denny
asiko kumba.
Ndakamufonera akati aenda
kutown kune kaproject kaari
kuita. Handina kupikisana
naye ndokutoenda kugarden
kwambuya vaPuro ndichida
kutenga madomasi
ndokuona Denny
achinanaidzana naPortia
ndikasiyana navo ndichiita
zvandaive ndafambira.
Paakazodzoka kumba akuda
kurara neni ndikamuudza kuti
hazviite ndiri kuperiod.

"Kuperiod munhu ane


nhumbu?" Akabvunza
ndokubva ndamuudza kuti
yakabva ndikatomuratidza
card rekuchipatara akati
ndere kunyepa ndokubva
ndamuti afunge zvaada
nekuti ini ndaiziva kuti mai
vake ndovakasevesa mwana
wangu.

"Hama dzake ndodzine


problem dzisingakwanise
kumutsiurawo," vakadaro Dr
Chafa ndikati, "ndiyani
anomutsiura iye achizviita
anoziva zvese?"
"Ipapo ndopane error manje
kana asingade kuoneswa,"
vakataura vachitora phone
yaive yakuringer. Hope
dzakabva dzandibata
ndokuzomutswa naTinashe
akuda toilet. Dr Chafa
vakamisa mota paside
ndokubva ndabuda
naTinashe mumota kuti
azvibatsire. Ndakadzokera
naye mumota akanyarara
zvaisamboita mazuva ese
ndikaziva kuti ifight yaive
yamukanganisa.

"Tichiri kure kusvika?"


Ndakabvunza zvikanzi,
"mupfana unoti kubva Bikita
kusvika Harare mafunnies
here tasarwa nedzimwe
three hours kuti tisvike."

"Umm mondimutsa tasvika


dakurara ini," ndakadaro
zvikanzi, "apa uri kutanga
basa mangwana."

"Aihwa ahh ndoda kuzorora


ini," ndakapindura
ndichinzwisa tsitsi zvikanzi,
"zororo riri kudenga
mwanasikana."

"Tinokuenda here kudenga


kwacho?" Ndakabvunza
ndichiseka zvikanzi, "totadza
nei? Tisuka vatsvene
vacho?"

"Regai ndinyarare,"
ndakapindura ndichizembera
seat ndokutsvagiridza hope
kusvika dzandibata
ndokuzomutswa tasvika
pamba. Hwanga hwave
husiku saka takangodya
nekurara the following
morning ndakatomukira
kuclinic naDr Chafa. Vanga
vari surgeon paprivate clinic
yavo saka pandakavaudza
mabororo angu vakangoti
kana ndafunga zvakanaka
ndozouya kuHarare plus
ndaive ndakavaziva ndichiri
kuMasvingo
vachingondifarira sestudent
but handina kumbofungira
kuti tichazowirirana kusvika
pakugara under the same
roof tese. Kubasa takaswera
tiri busy ini ndokuzotanga
kuenda kumba nekusuwa
kamunhu kangu kaive kasara
nemusikana webasa.
Munoziva kugara naMai
Denny kwaingoita kuti munhu
afungire vanhu zvakaipa
saka ndaive ndisina
kugadzikana ndiri kubasa.
Ndichienda kumba
ndaitofunga zvekuti aende
kucreche oswera nevezera
rake kuri safe.

Pandakasvika kumba aive


akarara Thandi(musikana
webasa) akatondibvunza kuti
airwara here nekuti anga
aswera zuva rese ari low low.
"Haambodaro ufunge
Tinashe haagare pasi uyu,
ndipowo phone yako
ndifonere Dr Chafa vamugire
matablets."

"Haina mari iyi apa ine


chikwereti," akadaro
achinditambidza ndokubva
ndati, "rega ndinotora line
rangu ndiriise mako." Yangu
phone yaive yafa zvekutadza
kana kubatidza. Ndichingoisa
line muphone pakabva
patoita phone call yaDenny.
"Kwakanaka here nhai
mukwasha?" Ndakatanga
nekudaro zvikanzi, "uripi
nemwana wangu?"

"Why do you care? Oh I


guess uri kuda kundipa
gupuro, chingoisa
paecocash," ndakataura
zvekuonererwa ndikanzwa
Mai Denny vachiti, "ndipe
phone nditaure nako."
Vakapihwa phone zvikanzi,
"iwe hatina basa newe asi
mwana wedu ndiye watoda."

"Mwana wenyu nani?"


Ndakabvunza ndakachiller
zvikanzi, "Mamoyo tiri
kukupa mukana wekuuya
nemwana iyeye asi kuramba
zvave zvako. Akaona
chaanoona ikoko uone
yekutamba chero akafa uvige
wega."

"Anything else?" I asked her


Denny akapindura achiti,
"Nyasha ndiri kuda mwana
wangu."

"Handidi naye kana une


zvaunokwanisa kuita ita
shamwari," ndakadaro
ndichikata phone Dr Chafa
vachisvika. "Usarambe
uchitaura navo if possible
change your SIM card."

"Ndanga ndaisa line


muphone yaThandi kuti
ndifonere imi muuye
nemapiritsi, Tinashe
akarukutika," ndakadaro
zvikanzi, "weekend uende
naye kuchurch anonamatirwa
vanhu vekumusha kwake
vanogan'a."

"You're a doctor man,"


ndakadaro zvikanzi,
"ndozviziva but ndiri kutaura
zviri paground nezuro wanga
usingati vakasevesa mwana
wako? Mind you miscarriage
hairwadze pane
kuzourayirwa munhu
Nyasha. Of course I'll
prescribe medicine for her
but uende naye kuchurch
anonamatirwa akamboneta
neta kudai sarini?" Handina
kuzoda kupikisana navo.
Weekend ichisvika takaenda
kuchurch akanonamatirwa
sekutaura kwaDr Chafa. On
Monday akatanga kuenda
kucreche iniwo ndokutenga
imwe phone asi line ndanga
ndikati ndachinja ndichiti
ndichatozoritenga mumikoto.
Ndichibva kubasa that
Monday ndakafonerwa
naChomuti uya friend
yaDenny achiti ndodiwa
kucourt on Thursday. Denny
aive atoendesa nyaya
yemwana kumatare ndikati
haisi pressure kucourt
kwacho ndoenda toona kuti
anopihwa custody ndiyani.
End of chapter
On Sale

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900
Chapter 35

Nyasha

Ndakuda kupinda mumota


ndakakaruka ndabatwa
ruoko naDenny
ndikarwunakurira kure
zvikanzi, "Nyasha uri kuda
kuzama kuita sei chaizvo?"
Handina kumupindura
ndokupinda mumota ndiri
serious iye kwakupindawo
zvechisimba. "Chii newe?"
Ndakabvunza nehasha akati,
"watondivenga zvekudaro?"
"Iwe chingotaura nyaya yako
ka1 ndoda kuenda,"
ndakataura ndichitarisa time
akatura mafemo kasingapere
ndikati, "kana usina
zvekutaura buda muno sha."

"Ndokwa zvatosvika?"
Akabvunza achiratidza
kushamisika ndikati, "zvii
izvozvo?"
"Wakanyeperei kuti Dr Chafa
chikomba chako?"
Kutondibvunza nehasha as if
ndanga ndichiri munhu wake.
"Handina nguva
yekupindurana newe Dennis
chibuda muno ndifambe."

"Handibude usina kundiudza


kuti wakanyeperei,"
ndakashaya kuti aida
kuzvizivirei isu taive
tatorambana ndokuzongoti,
"handina kunyepa Dennis asi
iwe ndiwe wakafungira
zvisizvo ndikakusiya
wakadaro. Ndine zuva
randakati Dr Chafa
ndodanana navo here kana
kuti pfungwa dzako
ndodzaikuudza?"

"Fine iwewo wakadii kutaura


kuti ihanzvadzi yako?"
Maziso aive atotsvukiswa
voice ratokwidza ndikati, "uri
kukwidzira ani voice?''

"Chingopindura
zvandabvunza chete,"
akadaro ndikati, "ndanga
ndisina nguva yacho Dennis
nekuti kana waisatenda kuti
ndakaita miscarriage
waizobvuma chirudzii kuti
handisi kudanana naDr
Chafa above all handisi
kuziva kuti chiri
kukushungurudza chii iwe
wakugara nemukadzi wako."

"Ambori hanzvadzi yako


pachii zvekuti all of a sudden
watozivana naye
zvekudaro?" Akabvunza
achiita kakundishora ndikati,
"zvekudaro zvekudii? Not all
brothers are heartless, waida
kuti vandiite zvamakaita
Shuvai?" After nhamo
dzababa Denny tete Shuvai
vakabva vanzi vadzokere
kumurume nekungonyara
kuti paMhangu panozonzi
pane mwana akadzoka
kumurume.

"ZvaShuvai uri
kuzvikwanidzira papi
manje?" Akabvunza ane
kakushamisika ndikati,
"mucourt ndabuda sha
zvekuramba ndichitongeswa
handide." Denny asati ataure
Grace akabva anoka
pawindow. "Nyasha chii
chauri kuita asi?" Akadaro
ndadzikisa window
ndikafinyamisa face ndichiti,
"chii chandaita?

"Nyasha kura nhasi waramba


Denny mangwana wadzoka
futi rongeka ugarisike iwe!"
Zvekufurufushwa ndizvo
zvandaisada saka
ndakamuti, "dai vanga vari
Mai Denny vandipa advise iyi
ndaigona kutoterera kwete
iwe Grace. Haungandiudze
zvekugarisika iwe wacho
usati wagarisika. Chii
chamuri kuita naDione?
Mangwana machaya pamoto
muri kwaMai Denny kuswera
mangwana muri kwaNyika
woda kuudza ini kuti ini
ndigarisike. First get a life!"

"Uri kuudza ini izvozvo?"


Handina kupindura
mubvunzo wake akati,
"handina kuziva kuti mari
inochinja vanhu. Mazuva
mashoma iwaya awaenda
kuHarare wakutoita
seusingandizive? Vari
kupeiko vanaRuramai?"

"Grace manje munhu ane


pamuromo handimufarire
nekuti ini ndinapowo.
Zvemari zvauri kutaura
zvabva nepi?" Ndakabvunza
ndichibuda mumota zvikanzi,
"ehe zvabva pahustubborn
hwako Nyasha.
Ndikakutsiura unondipindura
zvaunoda asi Ruramai
murumo umwe wekuti kana
zvemarriage zvaramba Ano
(Dr Chafa) anouya
achikutora hauna kana
kutombopikisa kana kufunga
kaviri kuti urambe Denny."

"Iwe ndezvako izvo waida


kuti ndigare pabarika manje
iwe uchiti Dione akangoisa
musikana wausingazive
pastatus wotomuramba"
ndakadaro zvikanzi, "iko
kupindura wave kukugona
enda hako kuHarare kune
hama dzako dzine mari."

"Vakabvepi vana Ruramai


ivavo nhai mainini?" Denny
akabvunza zvikanzi naGrace,
"mama vaive munin'ina
wamai vavo asi
vaisatombowirira zvaanoziva
uyu kuti taingonzwa kuti
muHarare mune hama
dzamama asi vaisada kuti
tiende kumba kwavo
vasingatotaudzane namai
vanaAno and pakafa mai
vavo mama vakatombotora
munin'ina waRuramai kuti
vagare naye akapotsa
kusungisa murume wamama
afurirwa kuti ataure kuti
abatwa chibharo."
"Anga ari murume wamama
here?" Ndakabvunza
zvikanzi, "iwe Nyarara hauna
chaunoziva pazvakaitika
wanga une five years."

"Fine then saka kuvengana


kwanamai isu vana
tokupinda papi after all vana
mai vacho vakafa vese?"
Ndakabvunza akaridza
tsamwa zvikanzi, "saka unoti
ini ndaisataura nezvavo
ndaipenga here?"

"Iwe handide kupikisana


newe kuchaiswa mapoto
naDione
kwakutokutenderedza
musoro," ndakadaro
ndichipinda mumota akati,
"Nyasha ndokukwatura
wazvinzwa?"
"Ko chakaipa chii nhai Grace
kana achigara nehama
dzake?" Vakapindira
vachidaro Mai Denny
ndokupinda mumota
nekutoimutsa sezvo Denny
anga atobuda. Ndainzwa
kuzarirwa nemashoko
aGrace ndokuzorerukirwa Dr
Chafa vafona vachibvunza
kuti court yafamba sei.
Ndakavaudza zvaive zvaitwa
naMai Denny mucourt. Ko
ndanga ndatokanganwa
kukuudza kuti paya takamira
pamota after court Mai
Denny vakazondikumbira
mari. Ndakangoti
nechemumoyo, "mai iyi
nguva yayo yainetsa maningi
nekuda mari regai yakazodai
dai nasabhuku.
By sundown ndakasvika
kuHarare ndokupfuura
ndichitora Tina kucreche uyo
anga atanga kuimba zvadad
vake. Sezvineiwo Denny
akabva aphoner panew
number dzangu ndokuziva
kuti aive adzipihwa naGrace.

"Kana wasvika kumba


ndozokumbira kutaura
nemwana wangu,"
paakadaro handina
kumupindura ndokupa Tina
phone ndichiti, "taura navo."
Akataura naDenny kusvika
kumba achiudzwa
zvekuchikoro and handifunge
kuti pane asina kutaurwa
muclass make.

Tichisvika kumba takatanga


nekugeza ndokuzoona
Ruramai aive atishanyira.
Tabvunzana mufaro akabva
apinda panyaya yaDenny
achiti, "chii chakanyatsoitika
Nyasha?"

"Zvese zvakatanga pakafa


baba vake, akatanga
akanditsamwira nenyaya
yaMai Ishe ndisina pressure
naye ndichiti anondiregerera
after a few days then musi
wataifanira kushifter kuenda
kustand kwedu
ndakatokasira kubva kubasa
ndokuvasvikira vari two
mubedroom naPortia pabed
pakatobvanganyuka
zvekutoratidza kuti
pamboshandirwa.
Pandakamubvunza kuti chii
chavaiita akabva andipindura
rough. I didn't want to believe
that Denny angarara
naPortia but later that day
ndakurongedza hembe
ndakaona boxer rake rine
lipstick. Ndakamubvunza
akati haazive kuti yaenda
sei? In fact akatozosiira
nyaya kwandiri achiti ndini
ndaisa lipstick kuti ndiwane
kunetsana naye.
Ndakamusiya akadaro
ndokuita zvekututa zvinhu.
The following day ndipo
pandakakuonai (Dr Chafa)
kuchipatara matovinga Dr
Nkomo. Dr Nkomo
vakatoshamisika kuti
ndozivana naDr Chafa
vakatoti ndozivana sei
anobva kwaMurehwa. Dr
Chafa ndopavakati havabve
ikoko asi mai vavo vanobva
ikoko iniwo ndokubva ndatoti
nevanguwo so kubva ipapo
Dr Chafa vakatanga
kubvunza papi pacho
ndichivatsanangurira
ndokuzotoona kuti vana mai
vedu mablood sister.
Vakatanga kurecollecta
zvakare ndokuzotoona kuti
totozivana chaizvo. We're all
happy ndokubva
vatondiperekedza kumba
vakandisiya paMado nekupa
50 yedrink. Ndakaona Denny
ndichangobuda mumota
ndikamboda kumisa Dr
Chafa kuti vamuone but mota
yanga yakufamba vakatadza
kundinzwa. Ndakatooenda
paive naDenny nemufaro
ndichida kumuudza nezvaDr
Chafa akatanga kutopopota
achiti ndakutoita
zvezvikomba kuchipatara.
Ndakaenda kumba
ndakafizuka zvenyu
ndokusvika ndichitobika
ndokungoona munhu
andimwaya nemapiece emari
kuface adambura 50usd.
Aitoti mari ndaipihwa
nechikomba sezvo ndanga
ndisati ndahora and kubva
ipapo takatanga kunetsana
kasingapere achimboenda
kunorara kumba kwavo
ndikati better kusiyana naye."

End of chapter
On Sale

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900
Chapter 36

Dennis

Ndaive ndakatorara pabench


mukitchen kwatosviba
ndakafizuka zvekupedzisira
ndichishaya kuti chii
chandakaita pana Nyasha.
Mistake ndaiziva kuti ndaive
ndaiita musi wandamupa
mhosva yaMai Ishe but
izvozvo zvaikwanisa
kugadzirisika asi ndaingoti
Nyasha ndiye anofanira
kukumbira ruregerero
zvasangana naDonny aiti
Nyasha ndakamujaidza
ndakabva ndazviudza kuti
ndakufanira kuita murume
waanotya ndisingazive kuti
ndakuzvigokera moto
muziso. Semusi waaive aona
Portia ari mubedroom
hapana chandaive ndamuita
asi kuti iye ndiye anga aita
maskiri ake. Iniwo pane kuti
ndipe Nyasha explanation
ndakabva ndaona
kubvunzwa kwandaive
ndaitwa sekujairirwa
ndokumupindura rough.
Ndaiti ndiri kuisa munhu
panzvimbo even musi
wandakamudamburira mari
ndichiti apihwa nechikomba.
Ndaitodawo explanation
kubva kwaari kuti munhu
waanga anaye ndiyani asi iye
akabva andinyararira ndikati
haana kungwara neniwo
ndozvigona kwakutanga
kurara kwaMai Denny
ndichingoda kumupfidzisa
chete ndokutozoona kuti
ndini ndaipfidza musi wauya
kuzotorwa Nyasha
nechikomba.

Nekuziva kuti Tina


iweakness yaNyasha
ndaifunga kuti ndikaudza
Nyasha kuti ndaendesa
nyaya yemwana kucourt
achafunga kudzoka naye
togadzirisina asi moziva
zvakaitika musi wecourt
wacho ndokutozonzwa kuti
Dr Chafa ihama yake apa
kuti ndifunge kuti ndaituka
mai vaNyasha hanzvadzi
yake ichizvinzwa.

"Tipendewo," ndakabviswa
mundangariro nevoice
rechikadzi raidaro
ndokumuka ndichipukuta
kuface. "Uri kudei pano iwe!"
Ndakadaro ndaona ari Portia.
"Ndiri kuda iwe," akadaro
achiuya pandaive ndikati,
"mira ikoko zvako shamwari."

"Ko uchatyei maiguru


vakaenda Denny?"
Paakadaro ndakaona atori
nebag rake ndikati, "ibva
zvako pano chisikana
handina chekuita newe. Ndiri
kuda kutonotora mukadzi
wangu." Akaseka sendaive
ndataura zvaisekesa
ndokuzoti, "unofunga kuti
achabvuma kudzokera
bhiridha zvakewo? Itotenda
Mwari kuti ndinotokuda
otherwise zvaNyasha
kanganwai baba mwana.
Wambomuona mota yaanga
anayo? Wofunga kuti
angadzokera iwe nekaskoro
skoro kako?" Ndakamudavira
nembama akaseka achiti,
"chokwadi chinorwadzaka?"

"Nhasha wakatomuluza asi


kana wada zvako
kundiramba uchiti unotsvaga
imwe mvana muno muraini
better kwete kutoti uri kuda
kunotora mukadzi wako
Harare." Ndakamupushira
panze adaro ndokudonha.
Ndakamboda kubata musoro
nekutya kuti ndainge
ndamukuvadza asi
paakamuka nekubata bata
ibvi rake ndakaona kuti ari
bho.

"Honaka iwe, handide


kuenda kujere nezvinhu
zvisina basa chingobva pano
unogarisana naMai Firi
maiguru vako," akaita
kakushamisika ndadaro
ndikati, "usashamisike
nhema apo ndiri kuziva
nyaya dzako."

"Nyaya dzangu dzipi?"


Akabvunza achinyepedzera
kudzungaira ndikati, "iwe
hauna kupihwa mari
naDonny ukanotenga
zvaunoda?"
"Kupihwa mari kunoreva kuti
ndakufanira kuita mukadzi
wake?" Akabvunza achipinda
mumba ndikati, "handina
nguva yekunetsana newe
ndokumbirawo urove pasi."
Akaita nharo tikakikiritsana
zvekutodrawer attention
yevanhu ndokuzomusiya
ndichienda kubedroom.
Akanditevera nebag rake
ndikamunzwira hasha zvekuti
ndakasara padiki kumurova.
Ndokuzobuda mumba
ndichitoenda kwaNyika
kunozvidhakwira pasina
anondinetsa. Ndakudzoka
kumba ndakafonera Nyasha
ndichiti ndoda kutaura
naTina akapopota hanzi,
"iwe wambotarisa pane
nguva here? It's 2am Tina
akarara handisi
kuzomumutsa kana waona
ndakanganisa enda
unoreporter futi kupolice kuti
ndakukurambidza kutaura
nemwana wako! Apa
wakadhakwa futi."

"Mama," ndakanzwa Tina


achidaro nevoice remunhu
ane hope ndikaziva kuti
amutswa nenoise yamai.
Akapa Tina phone ndikataura
naye for ten minutes Nyasha
ndokuzokata futi. Ndakasvika
kumba Portia akarara
mubedroom ndikatora jira
ndikanorara mumota.
Kuchiedza ndakamuka
ndichibika kasadza kangu
ndokuzoenda kumba kwana
Portia.

"Sinyoro! Iwe Sinyoro!"


Ndakadaro ndasvika pamba
pavo ndichidana baba
vaPortia. "Kwakanaka here?"
Mai vake vakabvunza
vabuda mukitchen mavo
ndikati, "kwakanaka
chaizvo."

"Ukazoita seuri kusvika


pamba pasahwira vako sei?"
Akabvunza Sinyoro ndikati,
"mudhara wanga wakura
zvakanaka wanzwa? Kana
uchiri kuda mwana wako ari
in shape huya umutore
otherwise uchazvidemba."
Ndakadaro ndichigara
pachigaro chake."

"Chiiko nhai chamunoita


baba Ishe?" Vakabvunza Mai
Portia ndikati, "imi kana
musingade kugara nemwana
wenyu ini ndozogara naye
ndakamira sani nhai
vahanzvadzi?" Vakabata
muromo vachishamisika
nhema. Ndakaona Sinyoro
akubva pamba pake
ndikamuti, "chero ukatiza
mudhara nhasi ndiri pano
kusvika wataura kuti sei
usingade kugara nemwana
wako.'

"Iwe unoti vahanzvadzi


kunani?" Vakabvunza
vachimonera zambia Mai
Portia ndikati, "dai
matondisvitsa mvura yakati
wandei ndinenge ndichiri
nebhabharazi." Vakaenda
kukitchen ndokuona
vakudzoka necup yemvura
munhu kwakundidira mvura.
"Chero mukandidira mvura
zvandavinga pano hazvisi
kuzochinja," ndakadaro
ndichipukuta mvura yaive
kuface nezambia ravaive
vakamonera vakakwakuka
semunhu afambwa
nechirumha. Type yanaMai
Sinyoro yaitove stubborn
saka kutomborasa hunhu
ndoita chimboko ndizvo
zvaitoshanda. "Ukati
haushure here mwana
waMhangu?" Vakabvunza
vachibata hana yavo ndikati,
"ndipukutei imi kana
musingade kuti
ndizvipukute."

"Zvausina kana nyadzi


munhu iwe?" Vakabvunza
vatarisa murume wavo aiuya
nasekuru vangu hanzvadzi
yamuchembere. Sekuru
vaive muvakidzani wavo and
ndivo vaive vandisotera
Portia.

"Honawo zviri kuita mwana


wako?" Akadaro Sinyoro
achindinongedza netsvimbo
ndikaidhonza akapotsa
adonha ndokuzogamhwa
nemukadzi wake. "Denny
huya kuno," vakadaro sekuru
vachindibata ruoko ndikati,
"mukadzi wangu akaenda
nekuda kwemwana wavo
mhani!"

"Dennis simuka!" Vakataura


nehasha sekuru ndikati,
"sekuru muri mai vangu imi
handide kutaura zvakawanda
kwamuri nekuti munoziva kuti
ndikagumbuka
ndokanganwa chero mai."

"Horaiti pano uri kudei?"


Akabvunza Sinyoro ndikati,
"ndauya kuzogara pano
nekuti handingambogare
nemwana wako never! Kana
mwana wako azobva kumba
kwangu ndipo
pandichadzokerako saka iko
zvino ndakutogara pano."
Vese vakanditarisa
vachishaya zvekuita
ndokuzonzwa sekuru
vakudana Donny aipfuura
nenzira.

"Honawo zviri kuita mukoma


wako," vakamudaro
akabvunza chaitora nzvimbo
vakamutsanangurira.
"Mukoma hazvinzwarwo
kani," akadaro achindibata
shoulder ndikasimuka
ndichiti, "Sinyoro uyu ndiye
mukwasha wako chaiye. Uri
kuona kamimba mutekwe
kane mwana wako? This guy
is the one responsible."

"Mukoma muri kuti chii?"


Akadaro Donny achindibata
ruoko ndikati, "ndiri
kutauraka mabasa ako?"

"Makuterera mashoko
aMamoyo?" Akabvunza
achinzwisa tsitsi ndikati, "iwe
ndatokumaka saka usade
kuwedzera kuzvimakisa
nekutaura zvaMamoyo sara
uchionesana natezvara vako
mouya motora munhu kumba
kwangu otherwise
muchazomutora ari mubox,
sarudzo yave kwamuri."
Ndakatoita kakuvhundutsira
vanhu ndokurova pasi.
Kumba ndakasvika Portia
achisuka ndiro
ndikamuavoider ndokutora
zvekugeza ndikanogeza
ndokubva pamba ndichienda
kumashop. Pandakadzoka
zuva rovira ndaive
ndakabatwa nehwahwa
ndokumbonetsana naye
ndasimudzira nyaya yekuti
abve pamba pangu.
Akapinda mubedroom
akazvivharira ndokubva
ndabuda ndichienda
kwaNyika ndikadzoka pakati
pehusiku. Ndakamuwana
asimo mubedroom ndikaziva
kuti azobvuma defeat
akarova pasi. Ndikatsvaga
makey ekulocker door sezvo
ndaive ndasvika risina
kukiiwa. Ndakashaya makey
aya ndokutanga
kubvanganyura zvinhu
ndokuona mari yandaive
ndakaringa pasi pahembe
isipo. Haina kunyanya
kundirwadza semunhu
aifarira kuti problem yaenda.
Makey ndakazomawana pasi
pebed ndokukiya door
ndikazvivatira. Ndakakasira
kumuka ndichiti ndiende
kuHarare ndokunoona
Nyasha ndokutoenda
kukitchen ndichiti ndinovesa
moto ndokuona mashura
anoshura akandimirira.Portia
anga achiripo pamba pangu
but asingachafeme. Anga
akaitwa kunyudzwa banga
padumbu rake ropa
rakatoomera kuratidza kuti
aive abaiwa kare probably
manheru andaive kwaNyika.

End of chapter
Mamoyo

Written By Rue M
0788357900
Chapter 37

Dennis

Ndakamubata ndichitya
hoping kuti anogona ari
mupenyu chero ndaiona kuti
afa. "Oh God," ndakadaro
ndichibata musoro wangu.
Ndakatanga kufunga kufarisa
kwandaive ndaita kumba
kwanaPortia hana ikatanga
kurova. Ndakaenda
kubedroom ndichida
kutsvaga phone yangu
ndifonere police ndokuona
isina moto ndikamhanya
kunoichajisa mumota
ndikafonera Chomuti iri
pacharger. Madzimai
aipfuura nepamba achienda
kutsime ndakaona
akudongorera mumba
mukitchen nekuti ropa raive
padoor raingoita kuti munhu
ade kuziva kuti raibva pai.

"Hezvo zvaari munhu?"


Vakadonhedza bucket ravo
mbuya vaPuro
vachimhanyira mukitchen
mamwe madzimai
akavatevera pasina
maseconds vakaikwatsura
mhere. Ndaive ndakachiller
padoor rebedroom
ndangomirira kusvika
kwemapurisa.

"Waitorevesa Denny kuti uri


kuda kumuuraya?
Ndakanzwa nemuroora
wangu kuti waidaro nezuro
ndikati ihasha zvino ndezvipi
izvi," vakadaro mbuya
vaPuro vachimbeya mbeya
pachivanze. Shoko rikati
haritane kufamba in no time
pamba pazara nevanhu
vamwe vachida kundirova asi
Mai Denny vakabva vamira
mberi kwangu
vakandivharidzira.
"Mamuona achimuura here?
Kana pane anozviti iye ndiye
ngaamurove uyu Denny
tione." Mai vagara vaityiwa
saka akaita zvivindi zvekuda
kutanga kundirova
akashaikwa kusvika
mapurisa asvika pamba.

Mapurisa akabvisa vanhu


pakitchen ndokutorambidza
vanhu kupinda mukitchen
vakapinda ivo vachiita
zvavaita umwe achindionesa
moto nemibvunzo. "Iwe waiti
mukadzi wako aripi
pawakasvika asimo mumba
husiku?"

"Haasi mukadzi wangu,


ndotaura kanganiko?"
Ndakataura ndatotsamwa
nekuramba ndichibvunzwa
zvinhu zvimwe chete.
Ndakapedzisira
ndisingachamupindure
ndokubva atanga kutaura
nemamai emuraini
aindisungirira zvekuti
hameni. Sambuya vaPuro
ndakatoshaya kuti
ndakavatadzirei
vachingotaura nezvavaive
vasina kubvunzwa.

Sinyoro akazondisvikira
akabata demo ndikaramba
ndakadzikama nekuziva kuti
haana zvaindiita pamberi
pemapurisa. Kuonererwa
kwake kwandituma kuti
ndimuti, "mudhara dai
wakabvuma kutora mwana
wako nhasi unaye kumba."

"Uri kuti chii iwe?"


Vakabvunza officer ndikati,
"hauna nzeve here?" Ndaive
ndambozama kutaura navo
zvakanaka ndokuzotoona
kuti handina mhosva
yandaive ndapara zvekuti
ndaitopeta muswe
ndichiitiswa neumwe
murume. Portia akazotorwa
akaiswa mucoffin remapurisa
ndokuendwa naye
pamwechete neni. Ndave
mumota ndipo pandakatanga
kufungisisa kuti angava
akauraya Portia ndiyani.
Portia anga asimbori mune
wenoise zvekuti angaita
vavengi vangamuuraya. In
fact muraini medu vanhu
vairoyana kana vakavengana
wongonzwa kuti munhu
akadonha kana kuti
akarohwa nemheni. Yaitove
first time kungomuka munhu
akabaiwa nebanga.
Takasvika kukamba ndisati
ndawana mhinduro kana
kufungidzira munhu.

Interrogation svinu
yakachizotanga
ndichingoramba
ndichingotaura zvimwe chete
iye mupurisa wacho
kuzondinyengerera kuti
ndingotaura kuti ndini
ndakauraya as if vanhu
vaibvuma mhosva dzavo
vairegedzwa. After some
time ndakapihwa mukana
wekuita phone call ndokubva
ndafonera Nyasha, ndaive
ndakutoziva number dzake
nemusoro and ndaiziva kuti
ndiye munhu musvinu
aikwanisa kundibatsira
pavanhu vandaiziva.

"Denny mwana wako ari


kumba ndiri kubasa,"
akadavira phone achidaro
ndikati, "i need your help
Nyasha."

"Umm yei?" Akabvunza


achitsenga tsenga ndikaziva
kuti aidya. "Ndasungirwa
murder," akaseka ndadaro
zvikanzi, "wakuita zvembanje
handiti? Newewo
wakusungirwa murder?"
Akabvunza achiseka
ndikatoona kuti ari kufunga
kuti ndiri kuita mafunnies
ndokubva ndati, "iwe Portia
is no more, ndamuona
akafira mukitchen makuseni
zvikanzi ndini suspect."

"What's wrong with you


Denny? Ndichakufonera
ndasvika kumba wotaura
nemunhu wako rega
ndimbodya," akadaro
achikata phone
nechemumoyo ndikati,
"murombo haarovi
chinenguvo." Zuva rakavira
hukava husiku ndisina
andiudza kuti zviri kufamba
sei ndokubva kwaedza futi
ndiri murima apa ndisati
ndataura naNyasha chero
ndaiziva kuti phone yangu
yanga yabatwa nevemutemo.
The following morning Mai
Denny vakauya kuzondiona
naGrace vachiti vakataura
naNyasha akati achatsvaga
lawyer.

"Nhai Denny chii


chakanyatsoitika?"
Vakabvunza mama
ndikavatsanangurira zvaive
zvaitika. "Bamukuru try to
remember, hamuna
kunetsana naye
makadhakwa here? Probably
nekuda kwedoro ndokubva
mamuuraya."

"Handidhakwe zvekudaro
ndiri kunyatsoziva kuti
ndakasvika ndikatiwana door
remubedroom risina kukiiwa
and mari yangu yakatobiwa
ndaingofunga kuti ndiye aba
mari," ndakaudza Grace
akati, "pakaipa but
tinobudirira because
aendeswa kupostmortem
kuchaonekwa kuti
zvakafamba sei. And nguva
dzaakafa manga muchiri
kubhawa nekuti kune
mapurisa atoenda kubhawa
kwamaive." Grace
akandisimbisa ndokuzoenda
hake. Zuva richivira
akadzoka futi achiti
maresults epostmortem auya
saka ndiwo aaida kunzwa.
Ndakanamata kuti
pawanikwewo kaevidence
kamwe kanondiprover right.
Grace akadzoka kwandiri ari
down ndikati, "chii mainini?"

"Haa pakaipa bamukuru,"


akadaro achikwenya musoro
wake ndikati, "hanzi kudii?"

"Umm Mai Firi hanzi ndivo


vakapedzisira kuonekwa
naPortia," akadaro Grace
ndikakanuka ndichiti, "Mai
Firi?"

"It's strange man because


chero mafingerprints ari
pabanga neenyu zvaramba
kumecha," akadaro ndikati,
"of course handisini
ndakamuurayaka."

"Hameno tichanzwa kuti


vanoti chii Mai Firi vacho
vaenda kunotorwa," akadaro
Grace ari stressed
ndikazama kubatanidza
chingaurayira Mai Firi Portia
ndikashaya reason
ndokungomirira kunzwa kuti
vanozoti chii?" Pasina nguva
vakasvika
vachindundurudzana
nemapurisa vachichema.
Ndakaona vakazvimba
pahuma zvese nemuromo
ndikanetseka nekufunga kuti
vakarohwa nani nekuti
Donny murume wavo
vaimudhinda rough
asingadzosere. Ndaivanzwa
vachichema vari kuseri
vachingoti havana kuona
Portia the previous day.
Vainyepa vasingazive kuti
face yavo yaive yaonekwa
kupostmortem.
Ndakatovarairwa ndakaona
Nyasha achiuya kwandaive.
For a moment
ndakatombokanganwa kuti
ndiri mucell ndichida
kutomumhanyira chaiko.
"Nemazuva mashoma
andabva kumba kwako
wanga watotora Portia?"
Akanditanga nemubvunzo
ndikati, "akauya zvenharo
Nyasha."

"Who knows?" Akadaro


achitarisa tarisa maside
ndikati, "heavens knows."

"Umm Dennis unofira mujere


nekuda madress iwe,"
akadaro achivhura handbag
yake ndokuburitsa lunchbox
akanditambidza. Aive aita
seafemerwa kuti ndine nzara
nekuti hapana aive
ambofungawo kuti chero ndiri
mucell ndodawo kudya.
Aingotaura ndichidya sadza
ndokuzotanga kumupindura
ndapedza kudya
nekumuudza zvandakaita
kwaSinyoro.

"Iye ari kupopota zvisingaite


ndamuona panze apo and ari
kuti chero ukabuda ari
kukuuraya utevere Portia,"
akadaro Nyasha ndikati,
"anotaureiko Sinyoro
ndomupaza paza?" Nyasha
akanditarisa neziso rekuti
ndikwane.

"Hauchatondide Nyasha?"
Ndakakaruka ndadaro akati,
"zvakubva nepi izvi?"

"Ndiri kuda kuziva kana


usingachandide
ndongobvuma hangu kuti
ndini ndakauraya Portia
mujere murinani pane kugara
ndega," ndadaro akanditi,
"kana usingakwanise kugara
wega wakarambirei Portia
aida nezvako?" Handina
kuzopindura ndaona Mai Firi
vakunoiswa mucell. Chomuti
akauya pandaive akatanga
ambomhorosa Nyasha
kutoita nguva
achimusekerera ndikazomuti,
"vati chii Mai Firi?"

"Pakaipa wangu vabvuma


hanzi yaive mistake,"
akadaro Chomuti.

End of chapter
On Sale
Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 38
Narrated

Mai Firi pavaive vanzwa kuti


nhumbu ina Portia ndeye
murume wavo vakaenda
kumba kwaDenny vachida
kunonzwisisa mamiriro
enyaya. Vakatosvikira Portia
achibika zvemanheru.
Vakatombobatwa
nekapfungwa kekusada
kumubvunza vachiti kana
ave pamurume wake zviri
nani haazonetsane naDonny
asi mashoko avamwene
vavo ekuti mari yese
yaDonny yanga yashandiswa
naPortia airamba achidzoka
mundangariro kusvika
vatanga Portia vachiti, "ko
kusagutsikana chiiko nhai
maiguru?"

"Kusagutsikana nei futi?"


Portia akapindura ari busy
kumona sadza zvikanzi,
"pedzai kumona sadza renyu
tigotaura zvakanaka nekuti
mazondipomera mhosva
yekubika mbodza marohwa
nemurume wenyu zvichinzi
hamugone kubika."
"Tisu ticharohwa here
maiguru?" Akabvunza
achiseka Mai Firi vakaramba
vakati kwindi iye ndokuzoona
kuti vanenge vane nyaya iri
serious akaisa poto yesadza
raishinyira pamarasha
ndokuti, "ndapedza kubika
chitaurai nyaya yenyu
tinzwe."
"Ndati why usingagutsikane
iwe!" Vakadaro vachisimuka
Mai Firi zvikanzi, "hezvo
kugutsikana neiko
chamanguri mati
handigutsikane?"

"Nevarume chaivo,"
vakadaro Mai Firi
vachitambisa rimwe gumbo
Portia akati, "varume vapi
futi? Sei munemi mai imi?"
Portia aive akutoziva nyaya
yake akanyepedzera
kudzungaira nekuti mhosva
haingobvumiwe sesadza
pamwe pacho
ukatozoriramba sadza racho
uchirida chaizvo wototi
wakaguta, what more
mhosva. "Portia ndauya
pano kuti titaurirane
zvakanaka asi ukada kumera
munhenga ndochidzupura
chinhumbu ichi ukazoshaya
support yauri kugarira pano
ahi?" Vakataura
vachizvitutumadza and Portia
aizviziva kuti Mai Firi
vanogarira munhu akapotsa
kusvika kuvadzimu. Chero
vakadzi vese vemuraini
hapana aitwi, "pwe," kana
Mai Firi varipo. Semazuva
ainetsa kubata mvura
mumugodhi wepamba pavo
vaiti vakaenda kuchibhorani
vaisanomira pamutsetse
nevamwe vaitongomirira kuti
bucket riripo rizare voisa ravo
saka Portia ainyatsoziva
hunhu hwavo ndokuona kuti
better kudzikama pane
kuchenama.

"Mainini zvamuri kutaura


muri kuzviwana kupi asi?"
Akabvunza nevoice rine
mutsa zvikanzi, "handina
kwandiri kuzviwana asi kuti
ndiri kuzviziva. Ini ndasiyana
naNyasha akasiya marriage
nekuda kwako wanzwa?"

"Mai Firi handisi kukunzwisi


ini," akadaro zvikanzi,
"siyana nemurume wangu
iwe! Woda kuita zvingani,
kurambisa Mamoyo
nekupesanisa madzikoma?
Kubva ndichiroorwa handina
musi wandakamboona baba
Ishe naDonny vachinetsana
asi kungouya kwako iwe
vanhu votepesaniswa
nekutakana vari kumaraini
sei usina Nyadzi iwe? Mai
Ishe chaivo vaitove nani
panewe nekuti havana
kusvika pamba vachihura.
Unodii kuenda kubhawa
kana uchida varume
zvekudaro?"

"Mai Firi handidanane


nemurume wenyu,
anondipeiko teacher iyeye?"
Mai Firi vakaseka Portia
adaro vachiti, "chaunoda
kupihwa nemwana weumwe
munhu chii? Haugone
kuzvishandira ndosaka
wakazodzingwa kuHarare
wabata bamukuru chibharo
hauna kana nyadzi." Portia
akabva aona kuti Mai Firi
akavapfavira vakatomuita
yese yese akati, "kana
mapedza kutaura moenda
handina nguva yekunetsana
netype yenyu mai mwana."

"Iwe usati pamusoro


pekudya mari yemurume
wangu wotaura zvaunoda,"
vakadaro Mai Firi
vachimujunga junga musoro.
"Mainini muri kuitei?"
Akadaro nehasha Portia
zvikanzi naMai Firi, "ndanga
ndauya kuzokurangaridza
kuti sekuru vangu in'anga
nhasi chaiye rinovira ndave
kwaChivi so wait and see
handidyairirwe nevana
vevaroyi ini."

"Manje ini handivhundutswe


nemutsindo wenhunzi Mai
Firi, hamusi kutoziva
pandakatsika soo. Munoziva
chakaendesa Mai Tina?
Muchenjere kuteverawo,"
aitovhundutsira Mai Firi kuti
asaratidzire kuti zven'anga
zvamubata bata. Sekuru
vaMai Firi vaizivikanwa kuti
chikwapuro. Vemakuhwa
kana votaura vanototi Donny
akazototora mukadzi mukuru
kwaari nekutya kupengeswa
nesekuru vake zvichinzi
aramba muzukuru wavo.

"Kana uchizomirira mashoko


ako hazvina kushata iwe
murepi," kamutauriro kavo
Mai Firi kaive kekuda
kutokonya Portia nekuti aive
asina kumbobata chibharo
bamukuru asi aingovada. Ivo
bamukuru vaitozviona kuti
mainini vanovarwarira asi
kuti vakande shoko vaitya
mukadzi nekuti yaive type
yanaDonny inotyorwa
nemukadzi zvino umusi
vakasvika pamba
vakadhakwa
kwakunyepedzera kuona
Portia semukadzi wavo
kwakutomutomupa mari
nekuenda kubedroom naye
Portia akati dzawira
mutswanda. Zvakaitika
kathree izvozvo bamukuru
vachinyepedzera kudhakwa
vorara namainini votovapa
mari zvino musi wechifour
pavaida kuita izvozvo sister
yaPortia yakakasira kudzoka
ikawana vaviri vakuda
kutamba mutambo.
Bamukuru vakatowedzera
kudhakwa sevasiri kutoziva
zviri kuitika vaona mukadzi
ndipo pakazobva mashoko
ekuti Portia aida kurepa
murume wasisi vake.

"Hazvishamise kana
vanaDonny usitorina
kuvarepa vozongonyara
kutaura sevarume, iwe
haurambirweka?" Mashoko
aMai Firi akagumbura Portia
nekuti kubva asati aenda
kuHarare kuna sisi vake
Donny aingomunetsa achiti
anomuda iye achitoramba
ndokuzodanana underground
adzingwa kuHarare nasisi
vake. VaShumba sekuru
vaDenny pavakaona Denny
asina mukadzi
vakamukwenyera Portia
nekuti Portia wacho anga
asara nemakore mashoma
kuti anzi tsikombi. Sezvo
Denny anga asina mukadzi
nguva iyoyo Portia akaona
kuti better kumboita
zvaDenny nekuti potential
yemarriage yaivepo. Abvuma
Denny akatobudira Donny
pachena Donny kwakuita
seasina basa nazvo asi
zvichimurwadza.
Mukudanana naDenny,
Portia akaona kuti Donny
aive nani nekuti aive nerudo.
Zvishoma nezvishoma
akatanga kudzokerana
naDonny kusvika nhumbu
yabata. Pakabata numbu
yaDonny, Portia aida kutizira
kuna Denny nekuti zvebarika
naMai Firi aizeza asi asati
atizira Nyasha akabva
adzoka zvinhu zvikaenda
mudondo munhu ndokutizira
nguva isiyo.

"Imi handina kurepa murume


wenyu tanga tatove nesix
years tichidanana asi kuti
maizviona sei maiswera
muchiita wrestling muraini?"
Matauriro ake ekuda
kusvotesa Mai Firi akaita kuti
agarwe nembama. Iye
kwakuda kuzviti haarohwe
neumwe mukadzi akamira
kwakudzosera. Mai Firi
vakati zvefight ndizvo
zvairwarira vakatanga
kumuropafadza
nezvibhakera iye
kwakunanavira banga raive
mudish achida kubaya Mai
Firi kuti vamusiye. Mai Firi
vakatanga kugwisana naye
vachida kumutorera banga
vakandire kure nekuti vaiziva
kuti umwe anogona
kukuvara. Ivo vaingoda
kuranga Portia semwana
wavo kwete kumuremadza
asi mukurwirana banga
Portia akada kurinzvengesa
kwakupedzisira azvinyudza
banga mudumbu. Mai Firi
havana kutonzwisisa zvaive
zvaitika sevanhu
vaikikiritsana vakangotarisa
Portia aivatuma kuvaendesa
kuchipatara achidedera. Mai
Firi nekutya jere vakabva
pamba vachimhanya
ndokusvika vachinopinda
mujira sezvo anga atove
manheru. Pfungwa yekuenda
kupolice yakambovabata
ndokufungazve kuti mupurisa
akatadza kuvanzwisisa
vaivharirwa
ndokuzvinyararira havo.

The following day vamwe


vakamhanyidzana vachienda
kwaDenny vakasara
vakazvivharira nekutya.
Manheru emusi iwoyo vaona
kuti zvavaremera vakabva
vatururira kune murume
wavo uyo akashaya zvekuita
kunze kwekuzvidhakisa
nedoro ari kubhawa.
Ramangwana racho ndiro
rakazouya richitorwa Mai Firi
nemapurisa chikava
chishamiso. Vakatanga
vachiramba mhosva kusvika
vazotsanangurira mapurisa
nyaya nemo nemo.

End of chapter
On Sale

Mamoyo

Written By Rue M
0788357900

Chapter 39

Narrated
Hapana akakwanisa
kubvuma kuti Mai Firi
vairevesa pavaiti mistake.
Mhosva yavaive vaita
kunyarara pavakaona zvinhu
zvashata pamwe dai Portia
akaendeswa kuchipatara
nekukasika aigona kurarama.
Sezvo Mai Firi vanga
vaconfessa Denny akabva
aburitswa mumacell.
"Wabva wadzikira kubva
nenguva shoma iyoyi
yawagara mucell," akadaro
Nyasha vachibva pakamba
Denny akati, "ndiwe uri
kundionza." Nekuziva
kwaizogumira nyaya yacho
Nyasha akabva ati, "oh it's
okay ini ndakuenda."

"Wakutoenda?" Akataura
achiratidza kukanuka Denny
zvikanzi naNyasha, "ehe
ndanga ndagara ndichienda
what's wrong?"

"Mamoyo dzoka kumba kani


mukadzi wangu," akadaro
Denny achida kubata ruoko
rwaNyasha akanzi, "never!"

"Ko why Nyasha? I know kuti


ndakatadza but i'm sorry,"
akataura akazvininipisa
Nyasha akati, "Denny save
your energy and time
ugokasira kunotamba
kumariro emukadzi wako ini
kuti ndidzokerane newe
hazvichaite hazvo chero
ndichikuda because love
alone is not enough."
Zvakataurwa naNyasha
zvaita kuti mashoko aPortia
ekuti Nyasha haasisiri type
yake adzoke munzeve
dzaDenny. "Is it because
handina mari?" Denny asked
but Nyasha chose to ignore
that question and said,
"ndakuenda Denny."
Akataura achipinda mumota
Denny akasara akati vavava.
Akatora nguva akatarisa
mota, Nyasha achitoendae.

"Mukoma!" Donny akadana


Denny amuona akamira
panze pekamba. Denny
paakangonzwa voice
raDonny akatotanga
kufamba achienda kumba
kuri kusada kutaudzana
naye. Donny akazviona kuti
mukoma wake haasi kuda
kutaura naye ndokubva
amhanya kwaari achida
kukumbira ruregerero.

"Mukoma ndiri umwe wenyu


pakaposheka kani?"
Akataura achiita
seachagodama zvikanzi
naDenny, "chimbosiyana
neni uite zvevakadzi vako.
Handi unoona mabasa ako?
Umwe ari kuvigwa nhasi
umwe ave muchitokisi
nekuda kwako." Achipedza
kutaura Denny akaenda
kumba kwake akasvika vana
Sinyoro vachiita chivanhu
chavo mukitchen yaNyasha.
Haana kuvataudza
ndokunanga mubedroom
make ndokuzobuda nebag
rehembe dzaPortia achida
kuvapa vakadziramba.

"Sinyoro unoona nyaya


yenharo ndiyo yakaurayisa
Portia. Ini handina zvinoera
mberi kwangu kana
musingade hembe idzi ndiri
kudzipisa makatarisa,"
akadaro Denny
achivakandira bag rehembe
dzemwana wavo. "Haunyare
kukanda hembe dzemufi?"
Vakabvunza Mai Portia
zvikanzi, "musade
kumukoshesa afa imi manga
musangade kumutora. Manje
kana kupfuka achapfukira imi
vabereki vake vakamudzinga
pamba. Manzwa kuti
akazvibaya saka muri
kutambisa nguva yenyu?"

"Vanonyepa Mai Firi avo,"


vakadaro mai vacho. Guhwa
riri updated ranga ratofamba
raini rese zvichinzi Mai Firi
vaida kubvisa nhumbu
yemurume wavo. Vakatora
bag raPortia ndokubva vasati
vatukwa naDenny pavanhu
nekuti vatapi vemakuhwa
vanga vatosvika pascene.
Vachienda Mai Denny
vakasvikawo pamba
nemvura yavo ine salt
vakatanga kumwaya
mukitchen nayo. Vapedza
izvozvo ndipo
pavakazonotaura naDenny
aive akangogara ega
semunhu agumirwa
nehupenyu.

"Chamunondivengera chii
mhai?" Akabvunza Denny
akatarisa mai vake kumeso
vakati, "ndakuvenga ndadii
nhai Dennis?"
Akatombonyarara
akatsikitsira musoro Denny
ndokuzoti, "maiziva kuti
Mamoyo ane mwana wangu
kuMasvingo mukasandiudza
ndikangofunga kuti kuvenga
kwenyu Mamoyo, secondly
mukanyarara pandaiti
Mamoyo ari kudanana naDr
Chafa muchiziva henyu kuti
ihanzvadzi yake handina
kunetsana nemi asi apa
makarega kundiudzawo kuti
ndizvo zviripo."

"Ndaikuudza ndakamira pai


zvese izvozvo senyaya yaDr
waisatomboda kuinzwa,"
vakada kuzvichenura
vachidaro Mai Denny.
"Watotsamwa?" Vakabvunza
zvavaiona zvikanzi, "chifarai
mhai zvamaida zvakaita
ndakugara ndega pano
pamba."

"Ko Nyasha zvaariko wani


dai watonomutora magara
mese maproblem hapachina
wani," vachingodaro Denny
akati, "makaregererei
kumumisa paaienda?"
"Ndaimumisa sei iye
akaenda ndisipo ndanga
ndatofambira nyaya
yaMamoyo. Ndiri kuda kuti
svondo rino ripere muroora
wangu adzoka pano,"
vakadaro Denny akaseka
achiti, "kunge rudo. Munoda
kuti adzoke mugare
makamushungurudza?" Mai
Denny vakabva vatoona kuti
better kubva panzvimbo
zvichakanaka nekuti vaive
vasina kumujaira akadaro
Denny. Vaenda kumba
vakatya kuti angazvisungirira
ndokutuma Dione naGrace
kuti vanotandara kumba
kwaDenny kuti asanyanye
kusurukirwa asi Grace
akaramba achiti ave kuda
kudzokera kumba kwake.
"Takonana here nhai
Grace?" Dione akabvunza
kudaro sezvo vanga vasina
kunetsana. Grace aidzokera
kumba kwavo kana
vavhiringana. "Hatina
kukonana but I need some
space," akapindura achibuda
mukitchen akanzi naMai
Denny, "mirapozve Grace
space yauri kuda ndeyei?
Pano haukwane kugara isu
chaivo vanhu vakasimba
hatisati tambocomplainer
nenyaya yespace. Kana
uchida space zvakanyanya
imwe irimo mumba
yaishandiswa naDenny."
Grace akatura mafemo
apererwa nemashoko aMai
Denny.

"Pane zvandaita here?"


Akabvunza achiratidza
kunetsekana Dione. Anga
asina zvaakanganisa Dione
asi kuti Grace aive
akanganiswa nemashoko
emwana wamai vake ekuti
anoita basa rekuchaya
mapoto. Apa kuti audze
Dione izvozvo zvaimuremera
Mai Denny vakazoti,
"ndaziva zvawatsamwira.
Akanzi naMamoyo ari kuita
basa rekuchaya mapoto saka
akuda kungobva pano."

"Ichokwadi here?" Dione


akabvunza zvikanzi naGrace,
"Dione ndakudawo kusettler
down mulife kwete kuti nhasi
ndiri kwaNyika nhasi ndiri
pano."

"Chingogara panoka,"
akapindura asina kunzwisisa
zvairehwa, Grace akaridza
tsamwa achida kubuda
mukitchen asi hana yakarova
aona Mai Tara panze.

"Huyai muone mashura ari


pano baba vangu Shumba
iwe!" Vakataura
vachisheedzera Mai Denny
vaona Mai Tara panze.
Dione akabuda panze
achingoti ba Mai Tara
akabva ati, "wavingei pano
iwe?"

"Unogondiitira hasha kuti


ndini ndati mukadzi wako
asungwe here?" Vakadaro
Mai Tara, Mai vemunhu
vakati, "mukadzi wake upi
asungwa?"

"Tiri kuzviziva chero


mukazvivanza," vakadaro
nesmile kuface vasingazive
kuti munhu aive avaudza
guhwa anga akanganisa
mazita. Mazita evakomana
vatatu vaMai Denny aida
kuenderana saka shoko
rakafamba nepasipo. Mai
Tara vakatobva kwaGutu
vachida kuzvionera kuti
mukadzi aive aroorwa
mushure mavo anga
atopinda mujere nekuuraya
Portia for sure.
"Iwe mukadzi wangu akamira
apa," akadaro achirova rova
Grace pabendekete. "Wanga
wafunga kuti wave nespace
pano? Space full..." Vasati
vapedza kutaura Dione
akatsigira mai achiti, "and
there's nothing to delete."
Vaviri vari busy kusvotesa
Mai Tara hama dzaMai Firi
dzakasvika pamba
dzichichema Mai Firi sevaive
vafa. Grace ndiye
akazovasimbisa kuti
vakatsvaga lawyer
rinonyatsoziva zvarinoita
vanopabuda nekuti Mai Firi
vaitove nemavanga
ekuratidza kuti vairwa. Mai
Tara ndipo pavakazonzwa
zvaive paground chaizvo
vakazvinyarira vakabva
paMhangu chinyararire
vachienda kwaSinyoro
kunochema nevamwe. Dione
akasara achinyengerera
Grace mai vake
vakazotomuudza plan
yekutengesa mbudzi dzanga
dzasara mari yacho
voendesa kumarooro.
Vakatoona kuti ndiyo plan
nekuti vainzwa nekufeeder
raini rese nyama nekuti
dzanga dzisati dzapedza
kufa. Grace
paakazongoudzwa
zvekuroorwa wakafara
zvekufonera Nyasha waaive
atomboblocker paphone
achimuudza good news.
Chero kumba kwaDenny
akabvuma kunotandara asi
vakazosvika Denny asiko
madoor akakiiwa.
Vakamufonera vachida
kuziva kuti aendepi sevanhu
vaimutyira sezvo anga asiya
mota yake. Vaiziva
achifamba nemota chero
kuenda kumba kwavo.
Vakamufonera hana
dzichirova akatodavira phone
ari panenoise akati,
"ndafunga kunotaura nablaz
vaMamoyo right now nditori
pamabhazi." Vakatura
mafemo vanzwa achidaro.
End of chapter
On Sale

Written By Rue M
0788357900

Chapter 40
Final Chapter

Nyasha

Ndaive ndatoenda kunoona


imba yandaive ndatsvagirwa
kuWaterfalls
pandakafonerwa naDr Chafa
vachiti pane murwere wangu
aida kundiona kuchipatara.
Zvakatondinetsa kuti aive ani
iyeye nekuti ndaisava
nevarwere kana munhu aive
neappointment neni. "Are
you sure kuti ari kuda kuona
ini?" Ndakabvunza ndichida
kunyatso confirm zvikanzi,
"atoti ari kuda kuona iwewe
chete."
"Munomuziva?"
Ndakabvunza zvikanzi, "not
at all." Ndakabhadhara imba
yacho ndokudzokera
kuchipatara ndokusvika
ndichiona Denny akagara
panze kumaruva achinzwisa
tsitsi zvenhema. Ndakatoziva
kuti ndiye airehwa naDr
Chafa. Ndakaenda paari
ndakasvika ndichiti, "ko
wakagarirei ipapo?"

"Ndanga ndakakumirira,"
akapindura achisimuka
ndikati, "fine hande kumota
unotaura nyaya yako."
Takenda takanyarara
tichingopinda akati, "Nyasha
ndauya kuzokutora."

"Pano pachipatara?"
Ndakabvunza akati, "no
ndakasvika muno nezuro
manheru ndikazongorara
kulodge kwaunogara
handikuzive so ndananga
pano pachipatara."

"Still Denny uri kufunga kuti


ndingangodzoka kumba
kwako after zvese
zvakaitika? And right now
Tina ave kuenda kuchikoro
handide zvekupusisa mwana
nekungomuchinja chinja
nzvimbo," ndakadaro akati,
"iwe hauchatode kunditerera
anyway ndichauya kumba
kwenyu ndotaura nehama
dzako." Akataura ari serious
ndikati, "bho chirega
ndinoshanda."

"Chindipawo address
yekumba kwacho," akadaro
achinditambidza phone
ndokubva ndamunyorera
tikabuda mumota ndikapinda
mukati kuonoona Dr Chafa
kuoffice kwavo ndikasvika
vana Ruramai.

"Murwere wacho aripi?"


Ndakapinda ndichivabvunza
vakati, "hauna kumuona
panze?"

"Mukomaka," ndakadaro
ndichitora lunchbox zvikanzi,
"ndiri kuudza Ruramai kuti ari
kupretender kuita munhu
kwaye asi kana zvamubata
chero clinic anoipaza
nehasha."

"Hamusi kumuziva Denny,"


ndakataura ndichitsvaga
pekugara zvikanzi
naRuramai, "maybe l don't
know him but ari kuita
semunhu kwaye Nyasha.
Usambotore advise kuna
Ano uyu nekuti
unozotopedza Zimbabwe
yese uchitsvaga varume
sezvaakaita.
Akatozogarisana naEmily
uyu atambura. Hatide vanhu
vanozonyepera mhepo
nekutishungurudzira
maprophets makuti mune
maspiritual husband. I know
kuti Denny akakanganisa but
iko zvino ari kuzvigadzirisa
why can't you give him
another chance to prove
himself? Right now une 21
years Nyasha watobuda
mumarriage nekuda
kwekusanzwisisana handiti?
Woroorwa neumwe murume
wonetsana naye womuramba
kuzoti paunosvika 40 years
unenge watove muroora
wenyika yese. For now
unogona kuzvinyepera uchiti
hauroorwe futi unoda
kungozviraramira nemwana
wako but two years down the
line tinoona wakubongomora
wasangana neumwe ari
worse kudarika Denny uyu.
Hanzi the devil you know is
better than the angel you
don't. Inini Ruramai
handimbofe ndakumanikidza
kuti dzokerana naDenny
kana usingachade nekuti
nhamo yawakaona ndiwe
unoiziva but I'm there to
advise you kwete kuti
uzochema nesu mangwana."

"Go deeper marriage


counselor," vakadaro Dr
Chafa vakatemwa
nemuvharo welunch.
"Handimbofe ndakakuvhara
Nyasha uri umwe wangu
ukaregerera Denny
mukagadzirisana hauna
chaunobva. Paachauya
kumba feel free kumubvunza
zvese zvawada usati waita
decision nekuti kuita single
mom kunoda munhu ari
strong." Handina kuda
kumupikisa Ruramai nekuti
zuva raivira tiri panyaya
yaDenny nekuti kutaura
kwaive kudepartment kwake
kwaaidanwa achidavira.

"Aizve uchiri pano!"


Ndakadaro ndaona Denny
akazembera pamota
zvikanzi, "haa ndazeza
kufamba ndega munzvimbo
yandisingazive nembiri
yembavha muHarare."
Ndakashamisika ndikaseka
adaro ndikati, "zera rako
rinotya kubiwa?"

"Usade kundiita fuza iwe


ndine mari yandakauya nayo
kuno saka ndangotya
kurisker," akataura
achizamura ndikati, "wadii
wandiudza hako ndakupa
makey wagara mumota?"

"Ndatya kukukanganisa
basa," akadaro achipinda
mumota ndokubva
ndaimutsa ndichiti,
"yakambowanda zvekudii
mari yacho yaita kuti utye
Harare?"

"Hazvisekese Nyasha ndiri


kuda kutenga mota,"
akataura ari serious ndikati,
"ko open truck yadii?"

"Iya ndoyiita yebasa," he


said. Takataura dzimwe
nyaya tichiavoider nyaya
chaiyo ndokupfuura tichitora
Tina. Akafara semunhu asina
kukwana aona Denny
ndokusvika kumba akagara
pamakumbo dad vachiudzwa
nyaya dzekuchikoro ndikati
better nekuti ini ainditaurira
kusvika musoro
wakutenderera.
"Kasi muri kungogara mega
naDr Chafa?" Aabvunza
Denny tapinda mumba
ndikati, "pane musikana
webasa mukadzi wavo
akaenda kumasungiro."

"Ane nhumbu?" Akabvunza


mubvunzonhando ndikati,
"haana."

"Unovaviwa here ukapindura


zvakanaka?" Akadaro
ndikati, "ehe." Akaseka
achigara pasi ndokubva
ndavasiya musitting room
ndichienda kunobika
zvemanheru. VanaDr Chafa
vakazosvika ndakupedza
vanhu vakatanga vadya Tina
akaenda kunorara
ndokuzotaura nyaya
dzechikuru. Denny akatanga
kutsanangurira vamwe side
rake renyaya ndokukumbira
ruregero ini ndikati kuBikita
handidzokere kusvika Mwari
vauya kuzondiperekedza
ikoko iye akati, "it's fine kana
usingade kudzokera
kunogara kumusha, mari
yandanga ndichida
kutengesa mota togona
kutenda stand muno
ndovaka tichilodger
somewhere then kumusha
tenge takuenda apo neapo
tichienda pamusha wedu
that's if kana uchida."
Mashoko ake akabva
asangana neRuramai ekuti
ndipe Denny chance
ndokubva ndadyira
pachirauro. Ndisati
ndabvuma akabva ati, "and
ukangobvuma this time
ndokutora nemuchato
Nyasha."
Kuzongonzwa kuti muchato
ndakasmiler ndikatongonyara
hangu kumupa hug.
Takatozorara takutsvaga
stand yekutenga. Mai Denny
ndanga ndisina problem
navo kana ndaizovaona once
in a while. Iya imba yandaive
ndatsvaga yekuWaterfalls
yakazonogariwa naDenny
sezvo aive andipromiser kuti
aizonditora nemuchato.
Within two months tanga
tawana stand Denny
akuvaka ndokubva
tazongochata imba isati
yapera kuvakwa
ndokumboshinga kugara
mu1 room kusvika zvaita.
Tichipedza kuvaka takabva
taenda kumarooro aGrace.
Mai Firi nyaya yavo yanga
yangozorova sekutamba
nekuti musi wecourt mapaper
ecase yavo anga
angoshaikwa
vakambodzokera muchitokisi
vakagarako for a week
ndokudzoka kumba zvichinzi
nyaya yavo ichiri
kuongororwa. Vamwe vaiti
bamunini vavo vaive judge
kuMasvingo ndivo vaive vaita
chitsotsi kuti mapaper
ashaikwe vamwe vachiti
sekuru vavo n'anga ndivo
vanga vanyangaritsa
mapaper nemishonga asi
Mai Firi havana kuzovharirwa
asi vakabva vaenda
kuMasvingo kunogara
naDonny nekuzeza mashoko
evanhu.

Tabva kumarooro aGrace


vamwene vemunhu
vakakumbira kuuya kuzogara
nesu nguva yechirimo
ndokubvuma nekuti ndanga
ndisina marambiro and
ndaiziva kuti mwedzi wapera
vaidzokera. Vamwene
ndivamwene Mai Denny
vaingoshusha asi zvanga
zvave nani kuti karuvengo
kavo kaita kachipera plus
nekuziva kuti mari
yemwanakomana wavo
yaisvikira kwandiri vaitoti
vaite munhu kwaye and
mazuva acho yaive yati
wandei nekuti zvanga
zvasiyana nekumusha
kwaaiwana contract apo
neapo pamwe pacho orega
kupihwa mari ongonzi
mombe.

"Ko mai vako musana


watanga kurwadza nguvai?"
Akabvunza Denny tave
mubedroom medu ndikati,
"usaite seusingavazive kuda
kudelayer madays
ekudzokera kumba kwavo
handiti nhasi ndanotenga
grocery ravo nekuvapa mari
yebhazi."

"Ndaona kuti kugumbuka


kwavo hakusi kwega,"
akadaro achiseka Denny
tikanyeya mai vake kusvika
hope dzabata. The following
morning ndakamuka
vachigadzirira muzukuru
wavo lunchbox ndokutoti,
"mama ndokumbirawo
mundiisire lunch muhandbag
mangu ndanonoka kubasa."

"Ndatove musikana wako


webasa?" Vakadaro
vachiseka ndikati, "muri mai
vangu imi isai kani."
Ndichipedza kugadzirira
ndakatora Tina zvikanzi,
"ndaisa lunch yacho
ungatozonditaura nevarwere
vako ikoko." Ndakavatenda
ndikabuda naTina
ndichinomusiya kucreche
tave palunch ndokutoenda
kunodya nevamwe kuvhura
handbag wanei ndaisirwa
lunch yaigara chisikiso.
Ndakasendera mwana wavo
photo akaseka achiti, "sipo
nechisukiso ichocho."
Vamwe vakaseka but
ndakapererwa naMai Denny
ndikatozviudza kuti, "she'll
never change."

*THE END*

#PDF CREATED BY
LORITY ARTS#

You might also like