You are on page 1of 264

life is a journey

[2/5, 21:32] Sasha banks: ife is a journey


Story
by
H .Sengi
Chapter 1
"Memo haudaro yesterday kuswera ndakakug
arira munhu cant sho wakatadza kana kutumira
kana mesage kuti hausi kuuya" "waida ndiite sei
mudhara na moms vanga vari around kana
chitsotsi panga pasina " "akamboseka
akanditarisa "unotya vabereki vako kudaro asi
vanoruma here vakakudzinga unobva wauya the
door is open ".Unofunga kuti kudya sadza
kungomuka ndave kumba kwako making matters
worse ndichiri pachikoro ndiri muform 3
pafunge ipapo Dean ". Ndakaona kuti pfungwa
dzaDean dzaive dzekupenga iye aive nebasa rake
aikwanisa kuchengeta kuchengeta vabereki
vake"Honey problem yako ndinoiziva haudi
kuuya kumba kwemfesi wako wakasiyana
nevamwe vasikana asi wakaudzwa kuti varume
vanoruma here ? " "chindirega ndiende kumba
moms yangu inovava ndakasvika kumba late
"Dean akabva aramba akandibata ruoko achiti
hapana kwaunoenda . Zita rangu ndinonzi
Memory Moyo ndakaberekwa mumhuri ine
vanasikana 3 maive musina mukomana ini ndini
ndaive dangwe nevanin'ina vangu 2 Mercy
naEllen.Taigara muChinhoyi taive nemba yedu
ku Whitecity . Baba vangu vaisashanda basa
rinoshamisira asivaigona kurongera mari yavo
amai vangu vainohodha kuSouth Africa .Hupenyu
hwedu taisashupika asi tairarama zvirinani
hapana pataishaiwa chekudya kana school fees.
Vabereki vangu vaigara vakandikurudzira
kudzidza nesimba ndizokwanisa kuchengeta
vanin'ina vangu .Pachikoro ndaive ndisiri dofo
ndaigona asi kubva zvandakaonana na Dean
maplans angu akabva aenda musango ,ndanga
ndisisina nguva nemabooks nguva yangu yanga
yakuperera pafoni .Vakomana vane masweet
words Dean always promise me heaven and earth
ndaibva ndanzwa ndiri kunyika yangu
ndega.Mukomana uyu aive asina mari
inoshamisira but ndaigutsikana kakudiwa kacho
kandikanganisa brain .Dean aive
akatonditengera foni yekuti tigare tichitaura
every minute moms kana mudhara hapana aiziva
kuti ndine foni mumba kana ndichienda kuchikoro
yaigara mubag mangu .Paface Mwari vaive
vakandipa kuzoti pachimiro handingataure moms
yaizondipa manyemwe ndaive ndisingadanwi
nezita asi MAMOYO Ndaibva ndashaya zvekuita
.Waizonzwa Dean oti simbi yamudhara
ndakazviwanira, Dean aive zai regondo mai vake
vaive vakangobereka iye chete, vabereki vake
vaigara kuKaroi iye airatidza kuti aibva kumhuri
inowana zvirinani .Dean aive mupurisa
aishandira muChinhoyi ndipo pandakazosangana
naye airoja kuLine riri kuseri kweredu .
Mukomana uyu aive handsome ari smart zvekuti
waingoti wakamuona wega you can tell ndivo
vanonzi varume ava .Hupenyu kubva ndichikura
handaida zvevakomana asi Dean ndiye akaita
wekutanga ndakaita iya inonzi Love at first sight
zvakaoma .Problem yanga ina D ndeye kuda
kundimhanyira pamberi ,"Memo unnyepera
kundida sei usingaite zvandinoda ,unofanira
kuuya kuden kwangu tichiswera tese
tichimbowana nguva yedu tiri 2 muroad hapana
chatinokwanisa kutaura " "but Dean aim yako
ndeyei chaizvo ini kumba kwemukomana
handiuye " "so its beta nditsvage mumwe
anondiitira zvandinoda iwe chengetedza hunhu
wako " ndakarangarira msshoko moms ekuti
humhandara ishonga kamwe chikuru humvana
.Humhandara ndichochipo chandaizopa
kumurume anenge andiroora ko uyu ari kuda
izvozvi ko akazondirova hit and run ndichazovei
paupenyu.But D ndomuda ndodii ? "Nyaya
yawataura ndainzwa ndozokuudza mhinduro rega
ndiende "akamboramba akanyarara ndokuzoti
"the choice is yours " handina kuda kudaira
..............1)Memo osiya Dean achitsvaga mumwe
musikana here? 2)Memo oita zviri kudiwa
naDean here? Ngatisanganei muchapter
inotevera END OF
CHAPTER 1
[2/5, 21:32] Sasha banks: Life is a journey
Story by
H.Sengi
Chapter
2
Mumwe musi Dean akauya
kuzonditora kuchikoro iri Friday nguva
dzandaive ndakubuda ndakamuona akamira
pagate handaizvifarira zvekuti munhu anouya
kuzonditora kuchikoro .Pandakamuona ndaive
neshamwari yangu yainzi Chipo ,musikana uyu
taiwirirana kubva ndichisvika pachikoro apa
.Ndaidzidza paneMakonde Secondary kubva form
1kusvika izvozvi handina kumbobvira ndaita
imwe shamwari kunze kwaChipo anga ave
kundinzwisisa pane zvose . Dean aingove munhu
ari rude but aizviziva kuti nyaya yemunhu anouya
kuzonditora kuchikoro ndaisaifarira ,
pandakamuona ndakaratidza kutsamwa iye akati
unonyepa " honey how are u today " handina
kudaira ndakaramba ndichifamba " Sorry
ndakanganisa nekuuya l know but Memo we need
to talk " ndakashamisika ndichinzwa Dean
achitaura kudaro asi haachandida ko chii
chaatadza kutaura paapp ndakabva ndatanga
kunzwa mudumbu Dean ndaimuda
pachokwadi.Ndakazoti"talk about what " "about
us "ndangoti nechemumoyo hameno ndakabva
ndati "taurai tinzwe dad" apa yanga yave nyaya
yekunyengerera because handaizokwanisa
kurarama abuda muupenyu hwangu .iye akabva
atanga aseka asati ataura nepamusana pekuti
ndaive ndangochinja mood nguva diki diki "
zvinoda takagara pasi "Nyaya yacho yakaita sei
look today handikwanise nekuda kwetime moms
vanenge vakamirira kuti ndibike so for today
hazviite "apa ndaitofambisa kuti ndisvike kumba
in time but iye akandinyengetedza akati
haazondipedzera nguva yangu. Ndakabvuma
ndokuenda naD wangu nokuti paiti iye ndokuti
dad .Mumoyo mangu ndainzwa kufara kana D
aripedyo neni ndainzwa hupenyu kufaya . Dean
aive mwana mumwechete wababa namai Nyoni
vaigara kuKaroi . Dean airatidza kuti munhu aive
akajaidzwa6 nevabereki vake sezvo aive zai
regondo.Kumba kwavo airatidza kuti vanhu
vaiwana zvirinani .Dean aigara kucottage
aishandisa 3rooms ,ini ndaive ndadanana naye
kwe 8months but ndaisauya uya pamba apa
taingoonerana muroad ndaityira hupenyu
vakomana matsotsi anokuda uri kumba kwenyu
wazouya haana basa newe iyo nyaya yacho inoda
kutaurirwa mumba yakaita sei ndakangoti
hameno Mwari .Tasvika ndakamboramba
kupinda mumba asi akati haaizononoka kupedza
kutaura handina kuita nharo .Ndakasvika
ndokugara pasofa raivamo mudinning iye
ndokugara paside pangu . Akasimuka ndokutora
drink asi handina kurinwa "welcome mai Nyoni
mumba menyu " handina chandakataura asi
ndakangoseka ndichinyarira nyarira "ko honey
why are you worried dad is here for you"
ndakangoti "ndave kuda kuenda kumba ".Akabva
asimuka ndokukiya door akati "kusvika waita
zvandirikuda ndokuti uende "ndakabvunza kuti
"zvei " .Haana kuzondipa mukana atanga
kundibata zvisingaite achindikisa zvekuti
ndakatadza kubva paari ndakarwadziwa
ndakachema asi hapana zvazvakabatsira yadeuka
yadeuka ndakazvituka nekuenda kumba
kwemukomana .Iye akazotanga kundinyaradza
achiti aifunga kuti ndainyepa kuti ndichiri
mhandara .Pandakazotarisa nguva dzanga dzave
kuma7 kuchikoro ndabva kuma5 ndakatakura bag
rangu ndakuda kuenda Dean akandibata ruoko
"Memo l know l had offended yu pliz hear me out
" panguva iyi hapana chandaida kunzwa kubva
kuna Dean aive andirwadzisa ,kundibaya
panyamanhete kana rudo rwangu rwese
rwakabva rwapera ndakatanga kuchema "Dean
handaifungira kuti ungandidaro l trusted l give
you all my heart but now you have taken my pride
away just like that no"ndakanzwa moyo wangu
kurwadza but that was too late "Memo hapana
kwauchaenda after this mess look you are
bleeding ".Ndakafunga kuchikoro apa age
ndotonzi ndave amai at 16 God why me?" Memo
pliz lm sorry l Love l want you to be the mother of
my children ndangotadza kuzvidzora let us talk
tototsvaga way forward iyi yatove mhosva
yatovepo ndichatofonera tete vako nevangu toona
kuti todii "Ndakatongozogara pasi ndakaona kuti
hapana kwandanga ndichakwanisa kuenda
ndakarara ndakagara pasofa D akamboedza kuti
huya urare akazongosiya zvakadaro akazondipa
gumbeze ndokubva ndarara hapana aitaura
nemumwe kana kudya hapana akadya
..........,........ 1)Dean ainyatsoda
Memo nemoyo wese here 2) ko
vabereki vavo vachazvitambira sei?
Ngatisanganei muchapter inotevera END
OF CHAPTER 2
[2/5, 21:32] Sasha banks: Life is a journey
Story by H.Sengi
Chapter 3
Ndakatozoshamisika kuona mumba mazara zuva
zvekuratidza kuti kunze kwaedza kare apa
ndichitopatika kubva kuhope . Chakandishamisa
mumba manga musina munhu ndaingove ndega
kubva kurara kwandaive ndakaita nezuro
handina kuzombobvira ndapepuka .Ndakange
ndatokanganwa kuti ndiri kupi pavapaya ndipo
pandakazorangarira kuti chii chaive chaitika .
Ndakabva ndanzwà shungu dzangu zvakare
ndakachema ndave kufunga mai vangu ,
ndofunga mudhara wangu saka varara vachiti
mwana arikupi arikuitei nani?Iyi yese yaingove
mibvunzo isina mhinduro ndakachema
ndakazvirega ndakatuka zuva randakatanga
kuziva Dean Nyoni ndakanzwa kumuvenga nokuti
angaandirasisa maplans angu aim yake
handaiziva ndakafunga kuti ndizviuraye here ?
Ndoita sei ndakambofunga kuti ndibude ndiende
kumba sezvo paive pasina munhu ko ndaisvika
ndichiti ndirikubva kupi .Ndiri pakati pekuchema
door rakabva ravhurwa ndokuona Dean
achipinda mumba akabata paper bag hombe
mumashure make mune mukadzi aitevera.
Ndakangofunga kuti ndivo tete vairehwa naDean
chete .Dean akazviona kuti ndiri kuchema
ndokuuya akandimbundira ndakabva ndanzwa
shungu dzangu dzandikunda ndakachema kunge
ndafirwa ."Memo l said lm sorry l lLove you and
lwill take care of nomatter what find a place in yo
heart to forgive me urikuda kuti ndiitewo sei
"ndakanzwa mai vaya vaakauya navo vavekuti
"Dean muzukuru chimbomusiya acheme kusvika
shungu dzake dzapera .........." havana kuzopedza
kutaura Dean akabva avagama "tete l know but
lm the trouble maker dai ndakasiya mwana uyu
akaenda kumba kwavo pasina zvose izvi " "saka
wodii yadeuka yadeuka ngatitoonai zvemberi
nguva isati yapera ".Ndakazonyara tete kuramba
ndichichema because kamwe kakuchema kacho
ndaive ndada kuona kuti Dean anoita sei mumba
makamboita runyararo Dean ndiye akazotanga
kutaura ."Tete uyu ndiMemo musikana wangu
nyaya murikutoiziva kare "kkkkkkk rega ndiseke
hangu uyu achiri musikana wako kana kuti ndivo
mai Nyoni zvehusikana nehukomana zvatopera
mochitotarisira zvemba yatanga iyi " ndakangoti
nechemumoyo tete ava vanotaurisa ko kana
zvirizvo zvinoita mai vake saka kuroorwa
kwakaoma .Dean akazondibata ruoko "sweety
ava ndivo tete vandaikuudza vaya vanogara
kuCherima " takambogara zvakanaka semunhu
aive nemarwadzo ndaive ndakagara nedivi "tete
ndafara nekukuzivai makadini henyu "ndakadaro
ndichiombera kuzoitawo tsika apa
ndichinyaranyara "neniwo muroora ndafara
nekukuziva asi maitadza kuuya kuzondiona
pamba pangu apa musadaro bva hazvinei hazvo
Mwari vatisanganisa "mai yaitaurisa uye
kungwarisa zvakaoma Dean akazotaura kuna tete
"Tete kuuya kumba kwenyu tanga tirimunzira asi
ndskakundwa nasatan tisati tasvika" "saka
muroora mutupo ndiani ?" "Ndinoera moyo
ndinoshevedzwa ndichinzi mamoyo " "aiwa
pakanaka saka Dean mukadzi unomuda here ?"
"Eye tete ndinomuda " saka wafunga kuita sei
nenyaya yako iyi hazviite kuti ugare nemwana
wevanhu vabereki vasingazive ,ko nhai muroora
une hama here kana tete vatingakwanise kutaura
navo nyaya iripano haisi diki" "ndina tete
vanogara kuColdstream ndivo vanosira baba
vangu" "tingakwanise kuvaona sei tibatsirane
panyaya iyi vozotiudzawo masvikiro ekumba
kwenyu"Dean akamboramba akanditarisa neziso
raitaura something tete vakabva vazviona
"kwakanaka here D" "tete munhu uyu haana
kumbobvira adya kubva nezuro apa ndiri
kuxhamisika tea yandasiya ndabika irimo haina
kunwiwa arikuda kuti ndiite sei " "kkkkkkk
achadya hake takabva neko kumhunga hakuna
ipwa vachiri kumboyemera daddie "Dean
akasimuka ndokutanga kufamba famba nemba
tete vakasimuka ndokumubata pafudzi "matokura
vaNyoni ndiko kutotanga kwemusha dzikamisai
hana tironge zvinobuda .Saka wangawafunga
kuita sei panyaya yekuzivisa mukadzi "Dean
akambotura mafemo "Tete ndine $5 000 yangu
yandaichengetera kutenga mota ndiyo
yotoshandisa panyaya yedu iyi"tete vakazogara
takabika tea takanwa takazotandara tave kutaura
zvakasiyana siyana.Ndanga ndave kutonzi mai
Nyoni hakuzi kunyara ikoko kuti saka ndave
nemurume zvakaoma . Ndakazogeza
nokutsvairawo mumba tete ndokuzooneka havo
voenda ini handina kuvaperekedza ndakasara
ndiri mumba Dean ndiye akavaperekedza
.Takazoronga kuti manheru toenda kwatete
kuColdstream .Ndiko kutanga kwandakaita imba
yangu Dean airatidza semunhu anonzwisisa hake
...............
1)ko dean haazochinja here
2)ko mai vake vake
vachandifarira here
3)baba vangu vachabvuma kutambira mari here
Ngatisanganei muchapter inotevera
END OF CHAPTER 3
[2/5, 21:32] Sasha banks: Life is a journey
Story by H.Sengi
Chapter 4
Manheru akazosvika ndave kutokwanisa kut
aura naDean nokuti ndaive ndazvigamuchira kuti
yadeuka yadeuka ndaigozvidii ndaive ndatamba
nematope pasina mvura .Kana iye mufesi wangu
akatonzwa kufara pakaona kuti chimoko
chakufara, nyangwe hazvo mufaro wanga usiri
wese asi zvaive parinani.Dean akazoenda
kunotenga muriwo kuti tibike ini zvaisaita kuti
ndifambe masikati nokuti ndiko kwaive kumaraini
. Pandakasara ndega mumba ndakambofunga
kuti ndifonere mhama asi ndakatya kuti ndaitaura
navo sei ,ndichiti kudii? Uye ndirikuitei
ndakabata moyo wangu semunhu aive akura
ndichiri pakati pendangariro daddie D vakabva
vapinda vaive vatenga tuma nice nice semukadzi
mutsva ."Honey wanga usina kutodhiniwa here
nekugara wega muno " "no" "ko kungondipa one
word answer kwakanaka here?" "Yes"ndakaona
kuti shasha yasvotwa ini rambei ndiri zii "sweety
ndanga ndakanganwa time dzandauya natete
ndanga ndine plastic bag wariisa kupi
".Ndakangosimuka muchinyararire ndokutora
plastic bag riya "ndauya naro " "Memo tell me
wats the problem ñdabuda tichitaura zvakanaka
wani just from nowhere wave mumood asi
wafunga mhama here?"handina kudaira
"urikudei "no answer nechemumoyo ndaingoti
tsvatu waro "tobuda toenda kuColdstream
kwatete here but hakusati kwadoka tinofamba sei
kusvika kubus stop ".Ini mumoyo ndaingoti
zvangu zvakabhadhara ndaingoda kuona kuti
anogona kundinyengerera here pandakaona kuti
ndagutsikana ndipo pandakazoti "muplastic bag
macho munei " ndakaona shasha kuuya
kundimbundira "l was so worried neserious
yawanga wakarova at least this is my woman now
" ndakabva ndavhura plastic bag riya maive
nezvinhu zvaive zvakanaka ndaive ndatengerwa
kubva kuhembe kusvika kubhutsu . Takazotandara
hedu tichimirira kuti kudoke tozoenda kwatete
kuColdstream.Handina kuzomirira kubika
takangozonwa drink ndokubuda kuenda kwatete.
Takasvika takawana kombi yatozara
ndokumbinda ndokugara mukombi.Kombi
yaienda kutown saka yakanotisiira paColdstream
turnoff taingodarika dzimba 2 tobva tasvika
patete .Ini ndakambosara panze ndichityira kuti
pamwe vana moms vanenge vari kwatete
.Ndakazoona tete vakadungamidzana naDean
vachiuya kuroad kwandaive ndasara. Tete
vakandimbundira kwenguva zviya zvekutaridza
mufaro wavo wese ,tete vakazotitora ndokubva
tapinda mumba .Takamhoresana nemufaro tete
ndivo vakazotanga kubvunza"mainini ko
matopesana nanamudhara vachangobva pano
izvozvi dai mati kasikei maisangana pano tipei
tinzwe ko nezuro hamuna kudzokera kumba
hanzii? Ndakabva ndavapindura ndizere nenyadzi
"tete ava ndivo babamunini venyu kutiona kuuya
kudai zvinhu hazvina kumira mushe" ndakabva
ndatendeukira kuna Dean "Dean ava ndivo tete
vangu vandaimbotaura vaya" "tete ndafara
nekukuzivai " "neniwo babamunini ndafara
nokukuzivai sunungukai henyu maita mauya
kuzotiona ,tiudzei ndawona vanababa vachisvika
pano hanzi mwana haako kumba kubva kuenda
kwaakaita kuchikoro haana kudzoka".
"Pamusoroi tete mhosva ndinobvuma"Dean
akatsangurira tete mafambiro akaita nyaya
nehurongwa hwese hwaaive aronga natete
vakeachiti changa changosara kuzivisa vabereki
vake kuti aive ave nemukadzi." Ndafara moyo
wangu wasununguka ndichatozivisawo vanababa
nyaya yose todii mhosva inoenda pamunhu
haiendi pamuti makagona babamunini nokuti
hamuna kutya mhosva zvinoratidza kuti muri
pachokwadi" "Tete Memo ndinomuda nemoyo
wese ndinosarudza kumufira hangu " "kovabereki
vako vakati hatimude mukadzi wako unoita sei?"
Shasha yakamboramba yakanyarara ichifunga
"handina basa nazvo handingarambi mukadzi
wangu nekuda kwevaberki" "kungotaurawo hedu
nokuti tawona zvakawanda muupenyu umu kana
wazvipira hapana chinonetsababamunini
munofanira kuziva kuti Memo uyu mwana mudiki
zvimwe motoita muchidzidzisa,garazviya handina
kumbenge ndabvunza makore mangani ""Tete
nndakura ndine 24yrs" ini pese paitaurwa ndaive
ndakangoteerera hangu ko ndaigotaurei hangu
"ko kumusha munobva kupi " "kumusha
kwaZvimba vabereki vangu vanogara kuKaroi
inga pakanaka isu tinobva kuShamva pakanaka
hapana chakaipa sekutaura kwamaita shoko
ndichasvitsa kuvaridzi vanga vave kutotya kuti
chii chakaitika kumwana".Tete vakazotibikira tea
takanwa tichotandara tichitaura nyaya
dzakasiyana siyana takazobva nguva dzaenda
,takangosvika kumba nekurara .Takagara hedu
mazuva tichifara Dean ari mubishi kuunganidza
mari kuti tiende kumba kwedu zvose zvevhikoro
ndakazvikanganwa ndatapirirwa nemba
.Ndaidiwa pliz yaingove honey ,sweetie ,my Love
.Ndakatenda Mwari nokuti vabereki vaDean
havana kuoma musoro vanga vave kungoda
kuona muroora chete .Ndaiti ndakatarisa Dean
nokundida kwaaiita ndaingoti dai zvaramba
zvakadaro aiti akaenda kunight shift taiita
pungwe tiri paapp waitoshaya kuti nyaya dzacho
dziri kubva kupi RUNONZI RUDO unokanganwa
kana amai vako. Mwedzi wakangoti uchipera
Dean akaenda kumba kwedu kunobvisa mari
vanhu vakadya nekumwa pakafarwa ,mai vangu
vakafara nyangwe hazvo ndaive ndavarwadzisa
nekusapedza chikoro asi ndakazovanyaradza
nekubvisirwa kwandakaita pfuma.Vabereki vangu
vakakumbira kuti vambosara neni sepachivanhu
pedu kuti ndimborairwa nyangwe ndaive
ndapinda kare mumba.Apa ndanga ndakukwanisa
kuuya kumba kwevabereki vangu pandinodira
.Ndakasara kumba kwedu kwe1week but rakaita
kunge gore ndisiri kumba kwangu ,ndakasara
ndakaudzwa zvakakwana.Ndadzokera kumba
kwaangu handina kugarisa mazuva ndakazoenda
kuKaroi kunoona vamwene vangu ,takatambirwa
nemufaro vanhu vakafarira muroora kuti mhuri
yakura .Dean aive atora mazuva kubasa saka
takanogara tose 2weeks ,ndaimuka makuseni
kuita basa vanhu vaizosara vomuka ndapedza se
dzimba dzemutown basa raive shoma.Rimwe zuva
ndiri mukitchen ,Dean aive akagara namai vake
mudinning ndakanzwa vamwene vangu vave
kubvunza"nhaiwe D ko mukadzi wako zvasati ave
kusvipa svipa kwakanaka mwedzi miviri yese
yamagara" "mhama matanga"....................
1)Memo achazoita nhumbu here
Ngatisanganei muchapter inotevera
END OF CHAPTER 4
[2/5, 21:32] Sasha banks: Life is a journey
Story
by H. Sengi
Chapter 5
Dean
paakasimuka kubva mudinning akabva angouya
kukitchen kwandaive ndiri hapana
chandakakwanisa kutaura l juss pretended as if
everything is alright . "Sweetie why kungoti zii
uriwega muno kwakanaka here ?" "busy cooking
daddie handidi kuzobika zvisingaite unozonyarira
kupi vanamoms vave kudya zvinoshata."
"Sometimes Mwari vanoita sezvaunokumbira
maqualities auinawo kubvira kare ndiye mukadzi
wandinamatira". "Mwari ngaakudzwe kana
ndichikuitirai zvamunoda your wish is my
command sir ", tese takabva taseka .Pakuseka
chete baba ava vaive nechipo chavo
,ndainatsonzwa kufara kana aripo nokuti aigara
akandiudza kuti ndiwe sisi vangu bhudhi vangu
zvese because aive akaberekwa ari
ega.Ndakazopedza kubika supper asi moyo
wairwadza nemashoko aive ataurwa namai va
Dean ko ndaive ndagara mazuva mangani nhai
Mwari zvekutotarisira nhumbu its too early for
that may tiri pafamily planning hatisati tave kuda
mwana.Kana sadza rakaramba kudyika asi
ndakangozvimanikidza semunhu ari pamba
pevanhu ndakangovhara ma1.Asi Dean aka
zviona kuti there is something but aksngonyarara
,vanhu vakapedza kudya ndokusuka ndiro dzangu
samazuva ose .Vamwene vangu vaive munhu
anga asinganetsi mukadzi aigara achiseka .Asi
munongozivawo munhu haashayi chirwere chake
vaida mwana wavo zviri extra .Waitoona kuti
nguva yandaitogara naye yaive shoma than
yavaiswera naye ndaingoti ndezvamai nemwana
,ndezve meso muromo zvinyarare.Takazoti tave
kubedroom kwedu kwatairara Dean akazobvunza
"Memo tell daddie the problem sei usina
kunatsodya sadza " "nothing " "kana uchiti
nothing hausatir watanga kutaura "ndanga
ndakaguta "saka kuguta kunoita kuti munhu
arove serious here ?"ndakatoshamisika
nemaquestions hobho akadai ndakatoona kuti the
best way rega ndimuudze chokwadi."Moms
havasi serious after a short period of time vave
kutotarisira nhumbu kare " "iwe Memo vana
moms hauvazivi here vanongotaura dzese dzese
nezvisinei navo" "zvakaoma wena" "saka
watobayikana nezvataurwa namoms sorry hako
handina kumboziva kuti wazvinzwa unongoziva
munhu ane mwana wake after vanenge
vakutofarawo kuti very soon kamuzukuru
kamwana 1 pafunge kkkkkkkkkk" "pakaipa daddie
"takazotaura nyaya dzakawanda ndokuzorara
hedu ko dzaipera here nyaya anga achiri mafirst
days emarriage kana kutukana paive
pasina.Mazuva akafambidzana nguva
yekudzokera yakakwana tikaonekana murufaro
"Dean dai wamboti muroora asare ozotevera
"vakadaro havo vachifara "mhama ndinobikirwa
nani ndakaenda ndega anozodzoka hake"
"mhama ndinodzoka manje manje mosara
bo"Tadzokera ku Chinhoyi waingove mufaro
bedzi bedzi mazuva arikupindana chabuda
hapana .Gore rapera kana kumbonzwa kuda
kurutsa kana kusvipa ndakabva ndaziva kuti pane
nyaya .Ndakatanga kuenda kumaprophets
namoms yangu vanga vototi ndakunyara kuonana
nemukwasha anenge achiti mai vacho
vanozviziva zviri kutadzisa mwana wavo kuita
mwana. Hama dzangu ndakafamba kun'anga
kwese ndakaenda asi chakabuda hapana.lye
Dean mafirst days aimbondishingisa
ndakangozonzwa anyarara no comment
.KwaDoctor ndakaenda asi zvakaramba
zvakadaro mazuva arikupindana chete haasi
kumira .Tave muthird year zvinhu zvakasunga
chete unenge uchiti zvimwe this month woona
zero zero.Ndakadya zvisingadyiwe zvinovava
nezvinotapira ndichitsvaga mwana,mazai
nemafuta ndakanwa.Mashoko kuhama
dzemurume haachaperi hanzi kunzi mukadzi
pamusha mwana zvino ndodii mwana
aramba,Dean akatanga achamira neni kusvika
ndaona kuti murume uyu ave kutokundwa
nemashoko.Kutsanya ndaitsanya ndichingoti
Mwari ndirangarireiwo nechipo chemwana ,kana
varisavamwene vangu vaitoda zvekutaura
zvisingaite one day vakauya kumba kwangu Dean
ari kubasa ndakavabikira favourite food yavo kuti
vadye semunhu aive auya mumba memwana wake
asi vakatotanga kuseka "kkkkkkkk icho chikafu
ndiye mwana here ini ndoda muzukuru kwete
zvese izvi" handina chandakakwanisa kutaura asi
ndakangoeredza misodzi ndaingoti mumoyo
handisi Mwari ndinogadzira vana dai
ndaikwanisa ndaingogadzira vandinoda .Vakazoti
mwana wavo auya kubva kubasa ndakatambira
husband semazuva ose "daddie welcome how was
yo day "ndichipa murume wangu hug "fine fine
ko iwe waswera sei " akakwazisana namai vake
zvakanaka , takapedza kudya sadza redu vanhu
vachitaura vachifara,from nowhere nyaya
yakangotanga "Dean uri kufungei nenyaya
yemwana saka wati ndofa ndisina muzukuru here
?"ndakatozviziva kuti nyaya iya yatanga "mhama
mwana chipo chinobva kuna Mwari kana nguva
yakwana achatipa ". Vakati vapupa nehasha
"nguva inokwana rini ini nfiti kukura kufa
kuchuuya tsvaga zvekuita uri murume iwe asi
wakadyiswa here kuswera kugara nengomwa iyi
"ndakachema ndakarwadziwa asi Dean aingoti
mhama musadaro aigodii amai ndaamai
.Vakataura kusvika shungu dzavo dzapera
mangwana acho vaka fumira kuoneka
..................................1)Dean na Memo
vachagarisana here Ngatisanganei muchapter
inotevera END OF
CHAPTER 5
[2/5, 21:32] Sasha banks: Life is a journey
Story by H.Sengi
Chapter 6
Dean
asanwa doro kana kuputa fodya aive munhu
aigara achifara ,makore ose atagara aya
aikurumidza kuuya kumba taive vanhu vaigara
tiri murudo everytime. Nyangwe zvazvo taive
tisati tave nemwana zvinhu zvose zvaingofamba
zvakadaro .But pafifth year Dean akangochinja
from nowhere ,akatanga kuuya kumba Late ,aiuya
achiratidza kuti akanwa doro sometimes
aitonhuwa fodya ."Nhai daddie wen did you start
drinking alcohol making matters worse nefodya "
"lm stressed Memo maplans angu ese aenda
musango ,apa iwe urikutadza kundiitira mwana
.lmba inonakidza ine mwana " "saka Dean you
are trying to say ini ndini ndisiri kuda kuita
mwana here you are not serious afterall zvese
zvandakapindana nazvo trying kuti ndiite mwana
hauna basa nazvo nhasi ndaipa ko ini ndini
ndadii " Akatanga kutaura zvaanoda Dean
"siyana neni handigarire munhu asina production
maage group angu ave nevana 2 ko inini zero l
regret kukuroora kwandakaita is a great mistake
" "lnga ndiwe wakandibvisa umhandara wani ko
ndaive ndakazvibata wani handizive kana
matablets efamily planning " "Kuve virgin kune
basa rei humhandara ndiye mwana here ?
Nyangwe mvana inogona kuroorwa yakaita
mwana "Ndakanzwa moyo wangu kupisa ndiro
raive zuva rekutanga kuunzwa mashoko
makukutu akadai nemunhu wandaida nemwoyo
wese.Ko ndaive ndatadzei kwaive kuda kwangu
here asikana pane asingade kunzi amai here
zvakaoma ."My mom was right pavaitaura ndaiti
vanotaurisa vaive vatozviona kuti hapana
chimuko" Ndakachema ndakazvidemba asi
chekuita paive pasina my husband changa
chatove chikara chaicho , icho chaive chamboita
kuti achinje kudai chaive chii ?kana iri nyaya
yemwana yaive mhosva yangu here "lts better
ubve pano uende kumba kwenyu vabereki vako
vambofamba newe nokuti lm sick and tired
nekugara nemurume mumba muno ndichiti
mukadzi itawo zvinoita vamwe vakadzi
zvekutakurawo nhumbu ndofawo ndisina mwana
here?" "Dean kana ini ndiri murume tsvaga
mukadzi uroore"ndakazopindurawo ndaona
mashoko acho andikurira ."As Long as usina
mwana pano haupagari ndapedza newe sarudza
zvakakunakira"Kutaura chokwadi ndakachema
the whole night kana hope hadzina kuuya
ndakafunga kuti nekuda kwaDean handina
kupedza chikoro ,nhasi ondirasa ndakaona kuti
hupenyu hauna kuchipa sezvandaifunga .lye
akatotora mablankets ndokunorara mudinning
hanzi urikundiitira noise .Makuseni akangomuka
haana kutaura neni akangobuda ,ndakasara
ndokuita basa rangu ndokupedza ndokuenda
kunoona mai vangu ndichivaudza nezveshura iri
.Ndasvika ndakawana moms ichi wacha pasink
,"ko kufumira makuseni kwakanaka here nhasi "
"mamuka here mhama ko varisei baba
nanamainini vangu " "tamuka hedu kana
amukasei mukwasha wangu " moms yakaramba
yakanditarisa kumeso chaiko "vamuka zvavo
vaenda kubasa ko ana sisi vatoenda here
kuchikoro " "vaenda kare ngatipinde mumba
titaure takagara pasi .mai vanga vatozviona kare
kuti kwabviwa aive makwikwi chaiwo."Memo
taura neni ndiri amai vako chii chanetsa
"ndakabatwa neshungu ndakachema ndakagara
pasofa kusvika ndaenda kunopfugama
pamakumbo paamai vangu "mai ndakskutadzirai
pasi nokudenga nokuti handina kuteerera kutaura
kwenyu ndaiti ndakachenjera asi nhasi
zvandiomera "mai vakambosiya kuti mwana
apedze shungu dzake vasati vapindura "hanzii
zvakare" "mhama zvakaoma handikwanise
kutsanangura .Shungu dzakazoti dzapera ndapera
Memo akatsanangurira amai vake zvese zvaive
zvaitika kumba kwake manheru." Zvino wodii ?"
"amai murume wangu ndomuda dai ndakwanisa
kuita mwana hupenyu hwangu hwaifamba bo"
"zvino ko zvazviri kuramba todii iye zvino rave
gore rechi5 takangotarisira ." "Nguva yaMwari
inokwana chete " Memo let me tell yu marriage
is not a bed of roses ine maups and downs gara
wakaziva izvozvo,pataikuudzai kuti dzimba
dzakaoma inoda wakura waifunga kuti taitamba
,wazvionera pamhuno sefodya "Ndakanatsoona
kuti moms yanga yataura chokwadi "mwana
akachemera bonzo mupe akaona kuti harina
nyama anorasa ,l told you ,you was still young for
this thing called MARRIAGE". " But mhama its
too late ndodii? I need away forward
"."Wotoshinga kusvika Mwari vakuwanirawo
nyasha wabata mwana ,"ndakanatsoteerera mai
vachitaura "everyone is crying navo varume kana
wada kuroorwa watozvitsvagira jeri kabisira
,hupenyu hwemumba kuchema chete varipo
vakanzwirwawo tsitsi vagere " .Takazotandara
kusvika masikati handina kumbozvifunga kuti
shasha ingadzoke ndisiko ,ndakazonzwa knock
padoor ,ndakati ndichivhura door hana yangu
yakarova aive Dean "ndipewo makeys ekumba
kwangu iwe sara pamba penyu handina kana
dhiri newe"Ndakangobata muromo ndashaya
answer,"usaramba wakanditarisa kunge usati
wambondiiona ndipe
zvandataura".Ndakangopinda mumba
chinyararire ndokutora makeys ndokumupa apa
mai vaive kudinning hapana zvavakanzwa
.Ndakabva ndatoona kuti ma 1 aye
atanga.Ndakangodzoka ndokugara pasofa
ndakatota ndainatsofunga kuti chii chaizvo
chaive chabata husband yangu.Mhama
vakabvunza kuti ndanga ndichitaura nani
ndakangoti mukwasha wenyu vakashamisika kuti
sei asina kupinda mumba semazuvaose
,ndakangoti ari kumhanyamhanya ati anodzoka
.Ndakazoti garei zvishoma ndokuti regai
nditevere kumba wanei door rakakiwa pamba
hapana munhu .Ndakagara paveranda kusvika
kwadoka ndichiti munhu anouya kuti ndidzokere
kumba aive ma1 chaiwo ndaiuraya mai ne Bp
ndakangoti ndomene haichemedze regai nditambe
nhamo yangu ndega.Ndakazvida ndega saka
atsunzunya rega atsikwe .ndakaronga tsoro dzese
zvakashaya basa ,nguva dzakafamba munhu zero
zero .KuCottage kwandaigara ndaingove ndega
saka hapana akandiona,ndakangorara pamat
yaive pamusiwo luck yaive nguva yekupisa
.Ndakarara ipapo kusvika kwaedza kuma 5 ndipo
pandiri kuona munhu achisvika
1)Memo achakwanisa kushingirira imba iyi
Ngatisanganei muchapter inotevera
END OF CHAPTER
6
[2/5, 21:32] Sasha banks: Life is a journey
Story by H.Sengi
Chapter 7
Kana
munhu agarwa nemweya yetsvina haanyare
sure,Dean akatosvika kana kumbogaya hake kuti
kunze kunei."lwe imbwa urikuitei pamba pangu
,pack yo things and go .Wakanditadzisa
kubudirira muupenyu hwangu ndinosvika kupi
ndisinawo mwana"Mamwe mashoko anorwadza
,anoita kubaya sepfumo chairo ."Ko nhai dad
ndini ndaitawo sei ?ko inga mwana ndomudawo
wani."Ndakabva ndamudenha "usati dad ,dad
zvisina basa wanzwa ndoda mwana pasina
izvozvo wotooneka hako handingagare nemukadzi
asina production".Ndakatoona kuti ndakasasimba
ndaitoisiya imba iyi "manje hapana
kwandinoenda kana uchiuraya uraya hako pano
ndopandichafira kuve nemwana kana kusave
naye".Aibva aita kunge asvikirwa "kurova pasi
ndokwauchaita usingade uchida ".Apa
akazopedza kutaura ave kuvhura door,handina
chandakazodaira ndakangopinda mumba
ndokusvikozvikanda pasofa hangu.Dean
atokungura kundidzipa chaiko nokuti aitoona kuti
ndaive ndisina kana plan yokuenda."Dad asi
mave nemumwe wamuri kuda kuti auye muno
here?ko ndamboramba barika here?"akatoseka
hake atoona kuti handisi kumbofunga chinhu
hangu ,hazvirevi kuti ndaisarwadziwa but
murume uyu ndaimuda saka ndaitoona kuti kubva
kwangu apa ndaigona kufa."Memo urikufunga
kuti ndiri kutamba hanti ramba wakadaro
uchaona hako kuti hohwa haisi nyama ."Akatora
towel rake ndokunogeza achidzoka tea yanga
yatoita ,uniform yake yekubasa ndatoisa
pamubhedha ndaingoti kudzorera ndekwaMwari
hakusi kwangu.Akangopfeka uniform ndokubuda
ndakamboedza kuti huya mumwe tea asi anodaira
paive pasina.Ndakasara ndokuita basa rangu
ndokugeza kuti ndirare semunhu aive arara panze
.Ndakatozomuka ave masikati chaiwo ,ndokuaina
hembe dzandaive ndawacha .Ndapedza
ndakazotanga kubika ndichingorumbidza Mwari
hangu nokuti ndaiziva kuti nerimwe remazuva
achandirangarira chete.lvo vakarangarira Sarah
aive achembera ko kuzoti ini zvangu mwana
mudiki.Dean akazodzoka kubasa ndatopedza
kubika kare ,nyangwe aindituka handina kurega
kumufarira.Handina kurega zvose zvandaiita
zvakanaka ,"dad how was your day "
akamboramba akanyarara "bo"zviya zvokuti
usandibvunze futi "ko ndokupai sadza here?"
akangodaira nesign kuti ndipe .Moyo wangu
waindirwadza nokuti haasiriye murume
akandiroora uyu Mwari pindirai .Akangopedza
kudya ndokurara hapana aitaura nemumwe
.Ndakasara ndakagara hangu ndichiona movie
hangu asi hapana chandaiona ndakafunga
zvakawanda .Kubvira musi wandatanga kuziva
Dean ko ndaive ndakaitei nehupenyu hwangu
,nhasi haasisina basa neni ndave useless
muupenyu hwake.Hope dzakangozoita zvekundiba
ndakazoshamiswa kwachena ,ngoma
yakangoramba iri ndiyo ndiyo .Ndakambofunga
kuti ndiende kumba ndosvika ndichiti kudii
ndarambwa here amai .Hapana nyaya inorwadza
munhu anonzi amai kuziva kuti mwana wake
arambwa adzoka pamba.Regai ndimboshinga
ndione kuti zvinosvika kupi,kuti ndirambe
ndichiudza amai hazvaiita ndaizopedzisira
ndavauraya.Ndakamboti regai ndiende kwatete
vangu vauye vanzwewo nyaya yangu,tete
pavakangonzwa nezvenyaya iyi takabva tapinda
muraod kuenda kumba kwangu vachiti
vanonzwisisa semunhu mukuru.Takasvika dzave
past 6 ndaitarisira kuti ndinowana Dean ave
pamba .Ndakasviko bika ndokudya tichimirira
kuuya kwaDean ,takatandara kusvika nguva
dzaenda kuti ndifone ndaitya kutukwa hangu saka
ndakangoti regai ndimumirire auye .Tete vakatoti
vave kurara vozoenda mangwana vakatozoita
zvekufona kumba kwavo .Dzave past 12 Dean
ndipo paakauya hake tete vakazviona kuti ndaive
panguva yachimbetu chaiyo.Dean paakasvika
achiona tete haana kana kumbovhunduka hake
tete ndivo vakatotanga kutaura"baba imi hamuite
patabvira takakumirirai ndokuzouya izvozvi apa
tatorara kare"akabva atanga agara hake pasi
"tete ndaitotya kunonoka kuuya kumba dai mune
mwana ndaiti ndaimuona arara manje imi
henyu".Tete vakangobata muromo vatoona kuti
nyaya yakora muto,"aiwa ndazvinzwa asi mwana
anobva kuna Mwari kana nguva yakwana " Dean
haana kuda kupindura tete .Vakabva vakwazisana
tete ndokutanga nyaya yavo haana chaakaramba
kuna tete."Saka nhai babamunini manga mafunga
kuita sei?" "Tete kutaura chokwadi dai
mambofamba nehama yenyu munzwe kuti
dambudziko riri papi nokuti ini zvakaramba
zvakadai handikwanise kugara naye bcoz imba
mwana".Tete vakaratidza kupererwa nemashoko
aya,"hapana rimwe dambudziko kunze kweiri
here?" "Tete ndinganyepe kuti Memo ane
zvaanondikanganisira Mwari vangandirange
problem iri panyaya yemwana apa"Dean aive
asingadzokeri shure ndakanzwa mudumbu mangu
kurwadza nekutya kuti sure ndave kurambwa here
?ndaizorarama sei ndabuda mumba mangu umu
.Zvakambokweshana tete nemuzukuru asi Dean
akaramba akaoma musoro saka tete vakangoozoti
vaizouudza vana baba nezvenyaya yaive
yataurwa nemkwasha wavo kuti imba yaramba
kupfuta moto.Ndakarara ndichichema usiku
hwose ndakambofunga kuzviuraya hangu
ndizorore.Tete ndivo vaingondinyaradza but
zvaive zvakandiomera,semazuvaose Dean aive
asingataure neni akangomuka ndokuenda kubasa
akangooneka tete chete .Tete vakangosara
ndokubudawo vachienda vachiona vanababa ini
ndokusara nenhamo yangu ndiri mumba
muya,ndakachema kuita kunge misodzi ichapera
.Ndakangozvisimbisa kuti handifanire kutya
kununa ndakasasikwa,pakudya paye zvinhu
zvinenge zvakanaka apa hupenyu hwaive
hwandiomera .Kwekuenda ndaive nako asi
ndaidawo yangu imba nhaimi veduwe ndaizodiwa
nani ini ndisingaite mwana.Ave masikati
ndakazoshamisika tete vadzoka vachiti vaive
vatumwa nababa kuti vauye kuzonditora
timbofamba sekutaura kwaive kwaita Dean..lni
ndakabva ndatsika madziro ndichiti hazvaiita kuti
ndiende murume wangu asipo,ivo tete vakati
taizomumirira kuti auye.Moyo wangu waifunga
kuti pamwe angangochinja moyo .Musi uyu
akabva akurumidza kuuya tete ndokumuudza
nyaya yaivepo haana kuita nharo takabva
tangobuda sezvo taive tatorongedza kare
akangoti aizouya onditora kuenda kwangu uku
hazvaireva kuti kurambana but aida kuti zvinhu
zvigadziriswe .Ndichisvika kumba ndakatakura
bag rangu amai vakatadza kuzvibata vakachema
vakandimbundira zvokuona kuti moyo
wekubereka unorwadza pliz,ndaigodii HOME IS
THE BEST ................. 1)Dean anotevera
here? 2)Nyangwe
akatevera Memo achadzokera here?
Ngatisanganei muchapter inotevera
END OF CHAPTER 7
[2/5, 21:32] Sasha banks: Life is a journey
Story by H.Sengi
Chapter 8
Ndakambobatikana veduwe kuti ndadzoka kumba
ko Dean akasauya kuzonditora ndaizoita sei.Apa
Chipo shamwari yangu anga ave kuUniversity
ndaive ndakaitei asikana ,kumhanyira kuroorwa
vamwe vachienderera mberi nechikoro kungoti
upenyu hauenzani .Vabereki vangu vairamba
vachindisimbisa kuti zvinhu zvese zvichaita.Dean
aisambofona hake ,ndini ndaitoramba
ndichingofona ndichida kunzwa kuti kumba
kurisei.Asi chainyanyo ndidya moyo
aisambouyawo kumba kwedu kuzondiona ,ko asi
haachada nezvangu here?Ndaiti ndakafunga
mufaro wese waibva wapera ndaive ndagurwa
kunorira veduwe.ko dai ndangoitawo mwana
nhaimi ndafadza murume wangu ,ndakagara
kumba kwedu asi moyo wangu waingofunga
kumba kwangu.Ndakatanga kuonda kwete
nenzara asi pfungwa dzaive dzondiwandira
,2weeks dzainge dzakwana tisati tawana
kwekuenda kunobatsirwa .Baba ndipo
pavakazouya votiudza kuti vaive vanzwa
nezven'anga yaive kuMtorashanga yaishopera
zvemandiriri .Takaronga kuti mangwana chaiwo
taitoenda ikoko namhama nababa vanozvinzwira
voga,ndakafara kuti zvangu zvaive zvaita asi
ndakazorara ndasuwa nezvandakaona paapp
.Dean aive akamira pamota yairatidza kuti
inyowani,pandakati ndibvunze l was shocked kuti
yaive yake .Saka murume uyu aive nemaplans
akadai kana kumbondiudza kana 1day
zvaro.lnonzi chaikuda kana chokusema ungati
ave mashura chaiwo,hanzi ndaizviziva kuti
ichaiona saka there was no need yokukuudza
.Ndopandakazofunga kuti mari yose yaive
isingaoneki mumba ndokwayaienda nhai.Handina
kurara musi uyu apa ndaizomukira kuenda
kuMtorashanga ,ndakamka ndokugadzirira
rwendo rwedu achiri makuseni.Takazosvika
kwataienda kuma 12 masikati,takasvikowana
mbuya vaye varipo .Havana kunonoka kupinda
nesu mumatare vakati ivo paive nemudzimu
wambuya waida kubuda pandiri saka ndaifanira
kubikirwa doro nokutengerwa machira kuti
ndikwanise kuita mwana.Baba havana kuramba
zvose izvi vaingoda kuti ndiitewo wangu
mwana,saka ndaizofanira kugara pamba apa
kana kwe2 weeks ndichimboshandirwa.Zvaive
zvakaoma asi paive pasina yokutamba ,vana
mhama vakaenda ndokuzodzoka vatenga machira
acho ave mangwana.Zvose zvakaitwa ndiripo
pamba paambuya vaya ndairarama nokudya
mishonga yakasiyana siyana ndaigodii ivo
vaivimbisa kuti zvinoita .Mazuva akwana
ndakazouya kuzotorwa nababa ,tose taive
nemufaro kuti zvaive zvakuzoita.Ambuya ava
vakati ndaizofanira kuuya nemwana pane
zvavanozoita ndakanatsonzwa mudumbu mangu
muchitamba kamwana nguva iyoyo.lyezvino
wanga wave mwedzi ndabva kumba kwangu
ndanga ndakungotarisa road kuti baba mwana
vachiuya kuzonditora kuti ndiende ndega
zvaisaita,ndakazogara another week mdhara cant
show ndaingosimbiswa nehama kuti murume
kana ari wako anouya asi akaregera agara asiri
wako.Ndakazoona msg paapp ndakarivara hangu
mumwe musi "Memo gadzirira ndirikuuya
kuzokutora manheru " .Ndakafunga kuti mayb
idream kana kuti chii ,ndakamhanya kukitchen
kwaive namhama kunovaudza ivo vakafarawo
kuti ndave kudzokera kumba kwangu iko kuonda
kwandaive ndaita
zvaitonyadzisa veduwe .Ndakafara kuti
ndakuzoona mota yakatengwa ndisina kuiona
kana kumbondiratidza ,asi ndakazonzwa mhama
vave kuti mutemo kuti murume kana adzora
mkadzi haauye kumba kwavo kusvika paanouya
kuzomutora .Baba vakauya vakanzwa nyaya iyi
havana kuita nharo asi vakangoti dai
zvatakafambira zvangoita.Dean sekutaura kwake
akauya manheru kuzonditora,akakumbira
ruregerero pane zvose zvaiitika akati aitarisira
kuti taizogara zvakanaka ,takadya sadza
ndokubuda hedu vana baba vakazofara vachiona
mudziyo waive watengwa uyu .Musi uyu waive
mufaro chete sevanhu vaive vagarisa vasina
kuonana paive pakaipa .Hupenyu hwedu hwaive
hwadzokera pekare ,kwapera 1 week ndakatanga
kunzwa kuda kurutsa kupera simba ndaingoswera
ndakarara ndisingagoni kuita basa .Ndakafonera
mhama vakafara veduwe kushaya zvokuita
ndaitoti yave nhumbu,ndakatozosvika pakurutsa
chaiko ndipo pandakazoti regai ndiende
kuhospital nokuti kurwara kwaive
kwanyanya.Ndakaperekedzwa naDean apa
mufaro waive wadiraka ndaitengerwa kese
kandaida kudya kuita kunge ndichasimudzwa
kuberekwa chaiko.Ndakasvikowana chiremba
varipo ndokubva ndatanga kurapwa ,ndakaitwa
matest ose kubvira preg test nemalaria .lni
ndaitoti inhumbu chete asi maresults ndiwo
akandiomesa mate mukanwa ,preg test negative
malaria posetive .Ndipo pakafira mufaro wangu
ndakangotarisa pasi ndokungoti mumoyo GOD
WHY ME .Ndakanzwa misodzi inopisa ichibuda
mumaziso angu Dean akazviona asi haana
chaakataura hake ndaive nechisuvo chokubatawo
mwana asi zvaive zvakasunga.Ndakazopihwa
course yemalaria ndokuenda kumba tave munzira
ndakazoerekana ndataura"zvirinani kusanwa
course iyi yemalaria ndife hangu ndizorore
hapana chandiri kuraramira hangu" Dean
akamboramba akanyarara hake "Memo this is
not end of the road pamwe zvinoita
"Ndakashamiswa kuti ndiani uyu arikutaura
mashoko aya asi aida kundinzwa here.Musi uyu
handina kana kumbodya ndakangosviko rara
ndaive ndakadhinwa zvisingaite ,dai ndakawana
kana mushonga ndainwa hangu.Dean ndiye
akabika ndokundimutsa kuti ndidye asi
ndakatadza kana kumedza sadza .Mhama
vakazouya kuzondiona ndokuvaudza nyaya yese
mkadzi mukuru akapererwa nazvo vakati rega
timboona .Gore rakasvika pakupera pasina
chabuda apa tanga takubata gore rechi 7 pasina
chiripo ,kugara mumba macho kwanga kwave
kunetsa kutaura kwanga kusisaperi kunyanya
vamwene vangu nemurume wangu ndaitoshaya
pekufemera .Baba vakamboti ndidzoke kumba asi
imba yangu ndaiida zvakadaro ,Dean akasvika
kana pakutondirova chaiko achiti ndibve mumba
make .Mari ndaive ndisisapihwe ndaitopona
nokuenda kunodya kumba kwedu ,aedza zvose
zvaramba ndipo paakazouya nemkadzi waakati
aive nenhumbu yake .Ini ndakati hapana
kwandinoenda vairara mubedroom mangu ini
ndichirara mudining ,aive makwikwi chaiwo
hapana munhu wandakaudza kuti ndizvo zviripo
ndaingoshinga ndiri ndega.Mukadzi uyu haana
basa raiita aiswera akarara ini ndini ndaiita
zvese dzimwe nguva aitonyepa kuti ndamutuka
ndodzingwa ndorariswa panze ivo vari
mumba.Vaidanana zviya zvekundisvotesa
ndaigara ndakachema pliz ,vamwene vangu
vaigara vakauya kuzoona muroora ane nhumbu
ini ndaive marara chaiwo muupenyu
hwavo.Mhama vangu handina kumbovaudza
ndaingoenda kumba ndichidzokera chikafu
chaicho ndainyimwa na Dean nemkadzi
wake.Vaona kuti handisi kuda kuenda Dean
namai vake vakazoita zvekundikandira hembe
panze apa ndipo pandakaziva kuti imba yaparara
.Ndakanhonga mbatya dzangu ndokuisa musaga
ndokuenda ndakarambwa kunge imbwa kana
anokupa spoon zvayo arinani ndakangoenda
kumba kwedu ndiri Memo chete.Ndakangosvika
kumba nembatya dzangu musaga ndakangoti
"mai ndadzoka kumba ndarambwa amai
ndakatadzei nhai vanhu ko Memo ndiye aita sei
pasi pano .Mai Dean andirwadzisa ndaidawo
kuita mwana wani honai ndadzoka ndisina
chandiinacho mai ,maikani ndibatsireiwo ndoita
sei ndabaiwa panyama nhete".Pandaichema
kudai mhama vaichemawo takaita kunge vanhu
vari parufu chaipo,hama dzangu ndakasiwa
pachena ndisingafungire
1)Ko Memo achazoita sei
zvaarambwa 2)ko iyo nhumbu iyi
ndeya Dean here Ngatisanganei
muchapter inotevera END OF
CHAPTER 8
[2/5, 21:32] Sasha banks: Life is a journey
Story by:H.Sengi
Chapter 9
Zvakambondinetsa kugamuchira kuti ndadzoka p
amba mupfungwa dzangu ndaingoti Dean
achatevera tozodzokera kumba kwedu.Asi
handina kuziva kuti kwaingove kurota hope
ndichazopepuka hangu,mazuva akave masvondo
masvondo akave mwedzi ndakangotarira nzira
asi hapana munhu wandakaona.Vabereki vangu
vaive nechishuvo chokuti ndienderere mberi
nechikoro asi ini ndakazviona sezvisina basa ,apa
ndaive ndakurawo ndave mu25 ndakafunga kuti
pandichatanga form 3 kuzopedza ndozotsvaka
basa pfungwa dzangu dzaive dzafunga zvemberi
kana basa remumba ndairida hangu bcoz paive
pakaipa .Apa vaninin'ina vangu vaive vakurawo
vave kutarisira kwandiriwo kuti ndirambe
ndakangogara ndakavatarisa hazvaiita veduwe
saka ndaitofanira kushandisa brain kuti ndisafe
nestress.Ndiyo nhamo yekuva dangwe pliz
,mumwe musi takatandara hedu mumba ari
manheru ndakabva ndangoisa nyaya yangu
mudariro munhu wese arimo."Baba namai
ndinoziva kuti ndakakutadzirai pasi nokudenga
ndinokumbira ruregerero ndichitanga upenyu
hwangu patsva ,shuviro yenyu yokuti ndidzokere
kuchikoro ndinoinzwa asi handifunge kuti
parizvino ndinokwanisa ndanga ndati
ndomboshanda kana kuri kuenda kuchikoro
ndozoenda hangu."Baba vangu vakamboramba
vakanyarara hwaive hunhu hwavo
havaingokurumidza kudira vasati vafunga
,"Memo mwanangu nyaya yako ndainzwa but
unoita basa rei iwe usina chikoro ndinoziva
hangu kuti wakarwadziswa asi haurase mbereko
nokufirwa hupenyu huchiriko."Ndakanzwa moyo
wangu kurwadza kuti saka ndakaitei kutamba
neupenyu ",baba zvamataura ndazvinzwa kana
basa remumba ndoita hangu handina choice
chamuka inyama"kana mhamha vakazviona kuti
ndiri serious nezvandaitaura ."Baba Memo tadii
tamusiya aenda hake kunoshanda sezvo asarudza
ega rega apore akabva mukutsva."Apa mai
vakataura zvaibva pamoyo wavo ndakaona baba
vagutsurira musoro ,"ndazvinzwa mai Memo saka
basa racho urikuda kuritsvagira kupi nhai
Mamoyo?" ndakambotsenga tsenga muromo
ndave kufunga zvokutaura asi mhinduro ndaive
nayo ndaive ndatotaura natete vangu vaigara ku
DZ kare vatoti vaizonditsvagira basa vaizivana
nevanhu vakawanda muHarare."Ndanga ndati
ndoenda kuHarare kwatete mai Ruva " mhama
vakashamisika bcoz handina kumbobvira
ndavaudza nezvenyaya iyi."Memo pliz kana
waenda usazondinyadzisa ndapota hangu
ndakatitarisira kwauri kekutanga toti imistake ko
kechi two toti chii?"mhama vakataura
vakanditarisa kumeso chaiko ."Aiwa iyezvino
handidaro ndadzidza kubva pakukanganisa
kwangu thank you nokundipa another
chance"baba vakazotsinhirawo ane nzeve
dzekunzwa anonzwa sure mubereki wese
anoshuvira zvakanaka kubva kumwana
wake.Takazotandaa baba vakazotaura
nehanzvadzi yavo kuti ndaizouya kuHarare tete
semunhu aiziva nyaya hapana
chakanetsa,ndakatozorara ndogadzirira rwendo
rwemangwana Chinhoyi ndaive ndaivenga
handaimboda kudzoka zvakare.Mhamha havana
kuregera kuraira kwakaita kunge kuchaedza
takagara ,mangwana ndakangomuka
nokugadzirira zvekuenda kuHarare zvekumba
kwaDean nemukadzi wake ndakangoti hameno
ikoko ini ndapira gotsi
ndaenda.Ndakaperekedzwa nevanin'ina vangu
namhamha kusvika pabus stop moyo wangu
wairwadza kusiya mhuri yekwedu ndichinotanga
hupenyu hutsva inonzi kurauone
chaiyo.Ndakasvika muHarare nguva dzichiripo
ndokukwira makombi aienda DZ nguva diki
ndanga ndatosvika kwatete.Ndakatambirwa
nemufaro mukuru chaizvo tete vangu vaigara
nemurume wavo nevana vavo vaviri Ruva
naTinashe ,vaingondisimbisa nezvaive zvaitika
kwandiri vachingoti zvinowanika murume anenge
agara asiri wako usarwadziwe hako wako
achauya.Ndaimbonzwa kusimba nyangwe hazvo
panga pave nemwedzi yakawanda ndasiyana
naDean but ronda racho ranga richiri fresh
nokuti hapana zuva raipfura ndisina kufunga
nezvake aive andicheka nerakagomara.Tete
vakandiudza zvakawanda zvinoitika muupenyu
,vakandivimbisa kuti basa ndaitoriwana pasina
kukundika.Babamukuru vakazouya aiwa
waingove mufaro bedzi murume aive
akasununguka uyu hawaimbosungikana nyangwe
uri muenzi.Takatandara kusvika kunzi kwaenda
ndipo patakazoti regai ndirare ndanzwa
nehope,ndakapihwa room yangu yekurara imba
yavo yaive yakakura zvisingaite yaive nema
rooms akawanda .Mangwana makuseni
ndakamuka ndokutanga kuita basa rose tete
vakazomuka ndapedza kare ndave kutowacha
hangu mbatya dzaive dzabviswa nevana vaive
vaenda kuchikoro."Memo unomuka pliz kutadza
kuzorora hako " "a tete ndajaira ini
munomuziva murora wenyu haadi zvose zvose
hanzi basa mangwanani" tete vakabva vaseka
havo "mai vako vakagara vakadaro nyangwe
pandaigara navo ndichienda kuchikoro "
.Takazomutsana hedu natete ndokundiudza kuti
vanga vandiwanira basa kushamwari yavo ane
restaurant mutown saka vaitobvunza kuti
ndairida here .Ko ndaigoramba basa ndariwana
mari hanzi taizotaurirana,ndakafara kunzwa tete
vachitaura kudai shuwa ndaizotanga basa
mangwana here veduwe ndovaitirei tete ava.Zuva
rose iri ndakaswera ndichifara zvisingaite nokuti
ndaive ndaudzwa mashoko anofadza
kudai.Ndaingozvivimbisa kuti ndinoda kunyadzisa
Dean azonzwa kuti ndachata saka ndinofanira
kuzvibata ndisaite zvose zvose kana chinonzi
murume handidi kuchiona pamberi pangu
vanonyengera zvisingaite.Musi uyu kwakaita
kunge 10 years chaidzo kuti kudoke ndiende
kubasa mangwana ,babamkuru
vakatozobvunzawo kuti ko happy happy yanyanya
kwakanaka here ?Ndipo patakazovaudza nyaya
yaivepo vakafarawo kuti stress inombodzikira
munhu wakaswera uribusy.Ndakangoti kupedza
kudya nokusuka maplates angu kuti mangwana
basa risawande,ndakabva ndaenda kunorara asi
hope hadzina kuuya ndakazopedzisira ndafonera
mhamha nezvebasa randaive ndatsvagirwa natete
.Makuseni ezuva raitevera ndakafumobata
jongwe muromo by 7 ndaive ndapedza kugeza
munhu aive ava kunonoka nditete vakaramba
vakarara.Vakatoseka vachimuka vachiona
ndatogara pasofa ndakabata handbag
yangu,vakabva vangokurumidzawo kugeza
ndokubva tabuda.Takasvikowana madam varipo
pabasa pavo sefriend yatete hapana chakanetsa
yaingove introduction nokutoudzwa basa
chete."Memo pano handidi munhu asingagone
kubata macustomers zvakanaka ,munhu ndewe
kusekerera kwete kusunga face nokuti tinoshanda
nevanhu vakasiyana siyana saka wotoita moyo
murefu " "ok madam " .Vakabva vaseka vose
natete "usanditi madam bcoz ini natete vako
tingori vamwe saka unongoti tete wazvinzwa here
muzukuru" ndakangonyemwerera ndichingofara
kuti zvangu zvaita .Ndakabva ndatoudzwa kuti
mari yaive $150 basa ndaitanga na7 ndichipedza
8 manheru .Tete vakazooneka havo ini basa
ranga ratotanga sefirst day ndaimboratidzwa
zvinoitwa nevamwe vasikana vaive vagara varipo
kwatozodoka ndave kutogona zvimwe ndatowana
shamwari yainzi Sheila. 1)
Memo achazokwanisa here basa iri ?
2)ko natete vake vacharamba vachiwirirana here
? Ko baba Ruva havazodi mainini here?
Ngatisanganei muchapter inotevera
END OF CHAPTER 9
[2/5, 21:32] Sasha banks: Life is a journey
Story by :H.Sengi
Chapter 10
Musi
uyu ndakasvika kumba ndakaneta ,kana kutaura
chaiko ndaitonzwa usimbe .Apa ndipo
pandaibvunzwa mibvunzo yakawanda natete
nababamkuru asi kuti ndirambe ndakanyarara
hazvaita .Vese vaida kuziva kuti ndanga ndichita
nezvei kubasa .Tete vakazoenda kunorara
ndokusara hangu nababamkuru tiri mudining
tichiona hedu TV .But ziso ravo ravaindipa
ndaive ndisingarinzwisise baba ava vaive
nechimeso meso ,kana nyaya dzacho dzavanga
vave kutaura ndakaona dzisiri dzezera rangu .Ko
tete vakazonzwa takutaura nyaya dzakadai
vanozoti kudii? Ndakangosimuka ndokuenda
kunorara hangu nokuneta ndakatozopepuka
kunze kwaedza .Ndakaita basa rose tete vachiri
vakarara munhu aive amuka ndibaba Ruva ,baba
ava waitove muedzo chaiwo kwandiri.Vakabva
vauya ndokumira mukitchen mandaisuka
maplates unzwe nyaya dzavaitaura dzisina zera
navo ."Memo murume wako akakuramba achiti
hauna mwana ini ndinoziva sekuru vanogona
kuita kuti uite mwana." Kana iri nyaya yemwana
apa ndanga ndambosiyana nayo ndanga ndave
kuda zvekuenderera mberi noupenyu
hwangu."Saka sekuru vacho vanogara kupi?"
Apa vakabva vaita kuswedera padhuze
"ndinokuziva toenda asi mai Ruva havafanire
kuzviziva isecret yedu tiri 2" , handina
kuzokwanisa kupindura becoz tete vakabva
vapinda mukitchen muya.Takamutsana natete ivo
baba Ruva vanga vave kungomhanyisa mhanyisa
maziso semunhu abatwa achiba."Ko imi baba
Ruva hamusati maenda nanhasi here muchiri
kuitei muchitadzisa Memo kusuka kuti aende
kubasa" munhu anozvibatisa ega murume
mukuru akandandama kutaura pliz "nda nda
ndanga ndati ndimbonwa cup ye tea".Zvakaoma
veduwe zvinosetsa mbavha yakahwanda tea ipi
kana stove yanga yakatodzimwa zvayo ."Kutanga
rini muchinwa tea makuseni nhaimi ?" Shasha
yaive yabatwa zvino vakangoita zvekutsakatika
vasina kuoneka.lni handina kuzomirisawo
mukitchen umu ndakabva ndangoenda kunogeza
ndokutobuda kuenda kubasa .Zuva rose
ndaingonetseka ko tete vachafungei neni ?ko
baba Ruva vanondiisirei pamiedzo kudai.Tete
vaive vatadzei nhaimi basa vaive vanditsvagira
wani ,pekugara vaive vandipa wani asi problem
aive murume wavo.Ndakangoshanda hangu musi
uyu asi paive pakaipa ndaizopagara sei pamba
apa.Basa iri rirwadza pliz kuswera wakamira
zuva rose apa vanhu vaisapera parestaurant apa
waitomboshaya kuti asi mai ava vaive nemukoka
here ? Paiuya vanhu vakasiyana siyana
pavarume vese vaiuya apa waingoona
akangorembedza makeys emota .Paingouya
mhene dzega dzega vanhu vane mari dzavo,iko
kudya kwacho waitoshaya kuti nzara yacho saka
ndeipi munhu aingosiya plate yakazara kunge
isina chadyiwa.Saka vasikana vaishanda
murestaurant umu vaibva vatora food iya inenge
yasiwa nemabhozida aya voisa mumaplastic bags
vozotakura kana vave kuenda kumba mhuri
yotodya kana kutengesa chaiko.Ini ndakatanga
ndichanyara kutorawo asi Sheila ndiye
akazondipa kuti nditorewo .Basa ndakazoenda
ndave kujaira kana kurwadza ndanga
ndisisakunzwi,nyaya yangayasara vaive baba
Ruva vaindishaisa mufaro veduwe vachingoita
zvandaisafarira but kuti ndiudze tete zvaisaita
ndaizotadzisa vanhu kugara mumba mavo
zvakanaka.Mhama ndaigara ndichivafonera vose
nababa nyaya yavo yaingove imwechete kuti
ndaifanira kuzvibata ndisavanyadzise zvekare
,ndakamboda kuvaudza zvaiitwa nababa Ruva asi
ndakangobata hana semunhu mukuru .Mwedzi
wapera ndakapihwa pay yangu ndakafara
zvisingaite ,ndakatenga fashion yangu
semusikana weHarare netusipo netwumafuta kuti
ndikwane kwanewo pane vamwe .Ko life
ndeyekuzviisawo pamarket hapana munhu
anotenga domasi rakaora akanaka aripo,zvose
zvekufunga Dean zvaive zvava kupera ñdakabva
ndaziva kuti ndaopener another chapter
muupenyu hwangu.Kuonda kwese kwaive
kwapera ndaita musikana chaiye zvokuti kana
ndisina kuudza munhu kuti ndakambopinda
mumba haaizviziva pavanhu vose vepabasa apa
aiziva secret yangu ndiSheila chete .Mazuva
haana kumira kufamba ndakabata mwedzi wechi2
ndiri pabasa ndainatsoshanda nemoyo wese
semunhu aiziva nhamo yake.MaSundays ndanga
ndave kupota ndichiendawo kuchechi natete aiwa
taiitirwa zvakanaka ,ndakatanga kuona kubata
kwaMwari muupenyu hwangu .Baba Ruva ndivo
vangavave muedzo muupenyu hwangu ,vaigona
kana kunditumira tumaimage tusingaite .Mumwe
moyo wakambonditi ndiratidze tete asi mumwe
moyo wainditi regedza.Mamwe mazuva
vaitombosenda pakati peusiku chaipo vachiti
hauna kusuwa Dean here ? Ndaitoshaya kuti
zvairevei ?ivo pavakaona ndisingaudze tete
vakafunga kuti zvavaiita ndaizvifarira ,kwete asi
ndaingoda kuchengetedza runyararo. Kubasa
zvinhu zvaifaya pamwedzi wechi3 pandakahora
ndakamboenda kunoona vamwe kumba
kuChinhoyi .Vanhu vakashamisika kuti ndaive
ndasimba kudai apa ndaive ndakarova mucheno
hangu waizodei .Vekusemwa vaya zvave
zvinhu,vanhu vakafara vachindiona kuzoti
mhamha zvakaoma.Mwari ndichengeterei
vabereki vangu ndiwo munamato wangu
everyday ndinoda kuvaitira zvikuru nokuti rudo
rwavo rwakanyanya .Takakwazisana nomufaro
ndaiitwa kunge ndaburuka ndege ,ndichitarisiswa
kubva kumusoro kusvika kutsoka .Apa ndaive
ndakarova skin jean netop yacho yemari
,mumusoro handitaure .Semunhu aive asuwa
nzvimbo yechiberekerwo ndakati kune vanin'ina
vangu timbosvika pamashops .Shura
randakasangana naro zvaikunda ngoma kurira
kusangana naDean achibva amisa mota
kwakutanga kutaura neni.Ndakambofunga kuti
ndiri kurota here ndichimuona achiburuka
mota.Akabva asvika ndokundibata ruoko "Memo
pliz forgive me paya pakashanda satani
unozviziva kuti ndaikuda nemoyo wangu wose
.Apa musikana uya ainyepa kuti ane nhumbu iye
asina Memo l searched for you everywhere foni
yako yaisaita .Mamoyo ngatidzokere kumba
mwana chipo chinobva kuna Mwari
".Ndakangoramba ndakamutarisa hapana
chandakataura misodzi chete ndiyo yakatanga
kubuda and l was confused ndisisazive zvokuita
,akabva aita zvokupfugama akabata makumbo
angu apa maive muroad ndakanzwa kunyara luck
kwaive kwadoka."Memo pliz forgive me l cant
stop loving you ",mumwe moyo ndanga ndave
kuda asi ndakazofunga zvaakandiita
ndakangoerekana ndangobva apa ndichimhanya
ndakananga kumba .Ndakangopinda mumba
mhamha nababa vaive vakagara mudining
handina kutaura navo ndakangopinda muspare
ndokutanga kuchema .Why now apa ndati ndave
ahead neupenyu my past yadzoka why why why ?l
was confused ndodii ?mhama suspected
something vakabva vatevera muspare muya apa
ndiri busy kuchema ,vakabva vauya ndokugara
pabed pandive ndakarara ."Memo chii?" apa
ndakatadza kana kupindura neshungu "mha mha
ma ndi ndi D " mai vakatorohwa nehana "aita
sei ?"ndakambopedza shungu dzose ndokuzoudza
mhamha nyaya yose ivo vakateerera ."lm
confused ndodii ?dai hangu ndisina kuuya kuno
now ndanga ndakutanga kubatanidza mapiece
ehupenyu hwangu after Dean andirwadzisa but
why ?"ndakatanga futi kuchema .Ndakazoti
ndapedza kuchema mhamha vakatanga kutaura
"Memo ndiudze chokwadi lm your mother ,iwe
Dean uchiri kumuda here ?" Ndakashaya
mhinduro mhamha ndokuenderera mberi "iwe
urikufungei nezvake " Ndakati chokwadi
ndibatsire "Dean ndaimuda but iyezvino
ummmmm"apa ndakatsenga mazwi "Taura
zvandinonzwa " "ndati l Love him " .Pana
Dean ndaive ndaive ndakaperera but kudzokera
kwaigona kuva kutamba nenguva."Saka urikuda
kudzokera here ?" Mibvunzo yaive yandiwandira
"kwete izvozvi apa ndombodzokera kubasa
ndozoronga zvokuita ndave ikoko " "Memo
follow your heart handingakuudze zvekuita jira
nderako kufuka kana kuwarira mwanangu
mangwana unozochema neni zvose zvawaronga
hapana chakaipa"vakataura havo mai vangu
.Takazobuda muspare tave kunobika tichitaura
hedu dzimwe nyaya asi ndanga ndabatwa
nechirwere checonfusion pakaipa.
1)Memo anodzokera here kumba kwaDean?
2)ko baba vake vanobvumirana nazvo here?
Ngatisanganei muchapter inotevera
END OF CHAPTER 10
[2/5, 21:32] Sasha banks: Life is a journey
Story by :H.Sengi
Chapter 11
Ndakaedza kurara asi hope dzakaramba kuuya ,k
o ndaizoita sei nhai Mwari .Ndanga ndave pakati
nepakati chaipo ,asi kuHarare ndaidzokera
zvaiuya zvaizouya pamberi .Dean was my first
love so l cant afford to loose him just like that but
ndoita sei ? Ndakazomuka zuva ratobuda sezvo
ndaive ndisina kwandaimhanyira hangu
,ndakangomuka ndokugeza basa raive ratoitwa
nevanin'ina sezvo yaive weekend .Takatandara
tichifara hedu sezvo ndaizodzokera kuHarare
mangwana acho,baba vaive vaunzwa nezvenyaya
yekuonana kwangu naDean asi vanenge vaishaya
kuti vobvunza sei .Waingonzwa nekutaura kwavo
kuti pane zvazvaireva ,ko ndaivaudza ndichiti
kudii zvaitonyadzisa kuti nezvandakaitwa naDean
woti ndave kudzokera futi zvairatidza kusafunga
chaiko.Ave masikati takatandara hedu paveranda
namhamha ndipo pavakandibvunza kuti ndaive
ndafungei nezvenyaya yangu naDean
,chandakangokwanisa kuudza mai vangu ndekuti
ndaimboda nguva yokufunga nezvazvo.Ivo
vakangosiyanawo nazvo vakangoti hameno
tichaona kunowira tsvimbo nedohwe.Musi uyu
takataura dzose chakasara chine mudzimu wacho
asi nyaya yababa Ruva ndakatya
kuitaura.Ndakazotaura nababa nezvenyaya
yaDean asi ivo vaiti zvaisaita kuti ndidzokere
kumba kwake nezvose zvaaive aita ,kudzinga
mukadzi kutadza kumupa kana spoon zvayo .Saka
kutoreva kuti baba was against the idea
yokudzokererana naDean.Saka ndoita sei?
ndakangozonorara ndine stress yekusaziva
zvokuita asi ndakangoti l will follow my
heart.Ndakafumira kudzokera kuHarare asi moyo
wangu waitsva kuti ndave kudzokera ndisina
kuona D zvakare ,apa ndaive ndisina number
dzake iye asina dzangu aive makwikwi .Saka
machances ekuonana aive mashoma pasina
kutaurirana ,nyama yangu ndiyo yakaenda
kuHarare asi moyo waive
kuChinhoyi.Pandakasvika pamba ndakaona tete
vasipo ndakangopiwa makeys ,pandakangopinda
mumba hapana kana chandakabata
ndakangonanga kuspare kwangu ndokurara
.Kuuya kwese kwakaita tete vachibva kuchechi
handina kumbokunzwa ivo ndivo
vakatozondimutsa vave kuda kunzwa kuti ndaive
ndafamba sei .Takataura kuita kunge taive tava
nemakore chaiwo tisina kuonana ,ndakavaudza
kusangana kwandakaita naDean zvose zvakaitika
asi ivo vatonditi dzokera kumba kwako imba
yakakosha .Vanhu vanonetsana asi kurambana
haisi solution,ko baba zvasiri kuda ndaizopaita
sei manje.Takazobuda ndokumbofamba hedu
natete kuenda kumashops ndokudzoka ndave
kubika.Ndakangopedza kudya ndokuenda
kunorara baba Ruva vasati vauya ndanga
ndakutovatya nehunhu hwavo .Semazuva ose
ndisati ndaenda kubasa ndaitosiya ndaita basa
repamba ndozogeza ndoenda kubasa.Musi uyu
ndichingosvika kubasa ndakabva ndaudza Sheila
nezveweekend ndiri kuChinhoyi ,akabva afarawo
kuti kuchema kwasahwira kwaive
kwanzwikwa.Dzimwe nguva tingati ndiMwari
here kana kuti satan vanenge vachikuedza
muupenyu ,nokuti zvakaitika zuva iri confusion
iya yakabva yawedzera.Pane mumwe murume
aiuya everyday kurestaurant kwandaishanda
,aidya lunch zvese nesuper saka madam vaitoti
ibig customer yavo .Nguva zhinji atopa order
totobikiswa namadam,saka musi uyu after lunch
ndichitotsvaira hangu murestaurant iye aive
akatogara hake pandakasvika pedyo naye akabva
asimuka ndokusiya adonesa bussiness card rake
pasi kwete nemistake asi akatoita rokudonhesa
achida.Akabva anditarisa neziso ndokusekerera
hake ndokubuda murestaurant muya .Ndakabva
ndaita disguise yekutsvaira card riya ndichitarisa
kuti hapana azviona here ndokubva ndanhonga
ndokisa muhomwe yeapron.Ko zvairevei zvaive
zvaitwa nemurume uyu ?ndaingonzwa madam
vachingomuti Kuda kureva kuti ndiro raive zita
rake.Ndakanyepedzera kuenda kutoilet iri plan
yekuda kuverenga card riya,ndakashamiswa
kuona kuti card raive rakanyorwa kuti DR
K.MUZA .Paive nephone number dzake
nekwaaiwanikwa zvose,ndakambogeza kumeso
pasink yaive mutoilet umu ndichiti pamwe maziso
angu atadza kuona.Ndakaverenga kechipiri asi
zvaive zvimwechete,ndakabva ndaona vision
yesmile yake ndakaita kunge ndichafenda .Apa
ndanga ndatikanganwa kuti ndiri pabasa
,ndakambozvitarisa paglass raive mutoilet umu
ndokuzviswinya swinya kuti pamwe ndairota asi
kana it was real .Ndakabuda ndakabata
mudumbu kuti vanhu vati ndirikurwara ndosaka
ndanonoka kubuda ,nguva dzokuenda kumba
dzaive dzava kukwana ndipo pandakaona Kuda
achipinda murestaurant ,ndakatarisa pasi ndave
kunyara zviya zvandaifunga ndaitoti pamwe
azviziva.Akabva ati kuna madam aida kuti
ndimuserver super yake ,sezvo aive big customer
madam vaiita zvido zvake.Madam vakabva
vangondipa order ipapo ipapo ,nguva yese
yandaigadzira patable pake aive akanditarisa
mumaziso chaimo zvokuti ndaitoshaya pekutarisa
nokunyara.Vanhu vese vaivemo vanenge
vakazviona chete kuti akanditarisa nokuti
pandakasimudza musoro ndakaona vanhu
vakanditarisa .Ndakangoti ndichipedza apa
ndokubva ndatonotora handbag rangu
ndokubuda ndokuenda kunokwira kombi kuenda
DZ .Madam nevamwe vashandi ndivo vaizosara
vokiya madoors ini ndatoenda.Hupenyu huya
hwekushanda hwanga wave kundinakidza manje
,ndakatozobviswa mundangariro dzangu nefoni
yakabva yaringer .
1)ko ndiani aive afonera Memory ?
Ngatisanganei muchapter inotevera
END OF CHAPTER 11
[2/5, 21:33] Sasha banks: Life is a journey
Story by:H.Sengi
Chapter 12
Kana
ndakambosvotwa nemunhu palife yangu munhu
uyu ainzi baba Ruva aive pamberi .Ndivo vaifona
hanzi kana masvika pamashops kuDZ mufone
ndakakumirurai tiende tose kumba.Baba ava
kana kukwana vaive vasina chete ,ndingadei
pavari kana iri mari ndeyavo nemukadzi wavo
kwete neni.Kurambwa imhosva here ?vanhu
vanokuona sepfambi chaiyo .But chavaisaziva
ndechekuti handisi loose sezvavaifunga ,imba
yakangoramba zvayo ndaitodawo kugara imba
yangu.Ndakademba hangu ndakagara mukombi
ndichienda kumba,dai ndakaitawo mwana ndiri
mumba mangu pachokwadi Dean really loves me
from the word go.Satan akazviona akati regai
ndisunge mbereko ,akaimba aona Marshal
Munhumumwe .Nguva yose yandaifunga kudai
misodzi yaitobuda ,kana munhu wandaive
ndakagara naye akangoti zvakaoma.Baba Ruva
vaive vakanganisa day rangu ndaive ndaswera
ndichizvifarira hangu ndisina kana stress
.Ndakatozoshamisika ndatosvika pamashops
pataiburukira,ndakasvika ndokuwana tete
vatorara ndokubva ndangopinda muspare mangu
ndokurara .Hope dzakamboramba kuuya
ndakatombofunga pfungwa yokuti ndiende
kunoudza tete zvaiitwa nemurume wavo ,imwe
pfungwa dzokubva yanditi unenge wagonei kana
vanhu vave kurovana wozoita sei.Mufoni mangu
makabva mapinda msg yaive yabva kuna baba
Ruva ,"uchazviruza Memo unowanza dzungu
ndaingoda kukuchengeta nekungokupa mwana
zvakatadzikwa nebora ngoma raive rakakurora
.Ndinokuitira zvese zvaunoda wotosiya kabasa
kekurestaurant kaunohora tumari ,nyangwe tete
vako vakazviziva l dont care ndiri murume
ndinoita vakadzi vandinoda manje hope dzichiri
dzakawanda pauri shine your eyes ino iHarare
wakapusa unofa nenhamo mupfana."Kunze
kwekuti ndigumbuke ndakatoseka hangu "kkkkk
mambondionei chaizvo baba Ruva yangu inhamo
yevarume here kusvika pakuenda pamurume
watete garai nemari yenyu siyai ndife nenhamo
yangu l deserve it."Apa ndakananzwa kuti
ndavaudza size yavo chaiyo ,"Memo
uchazozvidemba kuti ndakarega makomborero
achienda kana nhamo yazokugadzirisa vamwe
vanhu hamufunge sure unototi kabasa
kemurestaurant kanokusvitsa kupi ,ndaida
kutokupa mari yokuti utange business hombe
chairo kkkk mapudzi anowira kusina
hari."Ndakazoona kuti baba ava vave
kundijairira zvino "baba Ruva handina basa
nemari yenyu manzwa ndisiyei ndakadaro
manzwa kana ndichifa nekushanda murestaurant
ndisiyei ndakadaro ,handina basa nazvo
vakatadzei tete vangu kundichengeta pano yave
mhosva here?" Handina kuzomirira mhinduro
yavo ndakabva ndadzima foni yangu ndokurara
hangu.Makuseni handina kumbotaura navo baba
ava vaive vakapusiswa zvisingaite kujaira
kungopfimba pfimba munhu wese ,ndakagara
ndakazviona kuti baba ava irazor chairo
pamadress ziso ravo rinomhanya mhanya
.Pavakaona kuti handina kutaura navo vakabva
vangotanga kutaura zvisina nemusoro wese,ini
ndakangoita zvandaiita ndokupedza ndokubuda
kuenda kubasa.Ndakamboti ndiudze Sheila asi
moyo wangu wakaramba ndokubva ndasiyana
nazvo,ndokutanga hangu kuita basa rangu
.Vamwe vasikana vataishanda navo vaizvinzwa
asi ini naSheila taingotarisa hedu ,lunch yakwana
as usual ndaitarisira kuti Kuda achauya but day
iroro haana kuuya .Ndakamboti mayb aita busy
achauya after lunch zuva rakasvika pakudoka
munhu asina kuuya ,ndakazosvika pakuenda
kumba ndasvotwa ndaingoda kuona face yake
chete.Musi uyu ndakaenda kumba ndakasvotwa
zvisingaite ,ndakasvikoona tete nehusband yavo
yekusakwana varimo mumba paakandiona
ndichipinda kwakutanga kubata bata tete kuda
kundibhowa ini ndakati hanya nani chidhoma
chekwaChivi murikutozvinetsa mahara.Tete ndivo
vaitoseka kuti baba Ruva hamunyare Memo
here,ivo vaibva vaita manyemwe
vakanditarisa.Ndakavamhoresa handina
kumbogara pasi ndakangoti ndakuenda
kunozorora musoro wangu wairwadza .Iwo
wairwadza shuwa nokuti Kuda kubva first day
kushanda murestaurant aiuya everyday why nhasi
asina kuuya ,kuti ndibvunze Sheila zvaisaita
aizoti ndiri kumudii ? Ndakazvibvunza kuti asi
ndave kupenga kufunga munhu asina kumbotaura
neni nhaimi zvimwe zvinoda kukwana
shuwa.Ndakazorangarira kuti kubva makuseni
ndanga ndisina kumbobatidza foni yangu
,pandakabatidza foni ndakaona mune mamsgs
ewatsup akawandisa .Ndakashamiswa nenumber
yaive isina zita asi paive nemsgs anosvika 10
,hana yangu yakatanga kurova kuti ndiani munhu
uyu."Memo sorry ndazoenda kwatete saka ndivo
vazondipa number dzako kurisei kuHarare ,ko
wakazoenda usina kundioneka sei? Ndakati sorry
wani Memo ndidzo number dzangu l love you
,now and forever ."Ndakamboita dzungu
ndakutadza kunzwisisa kuti chaimbotora nzvimbo
chaizvo uyu munhu aive Dean ndakashaya kana
mhinduro pazviri .Saka airevesa zuva riya a
hameno ,anenge akabva aona kuti ndave online
ndakaona imwe message yapinda"sweetheart hie
." Ndakambosticker ndakadaro semunhu aona
chipoko ,zvimwe zvacho zvinoitika mulife so zviri
complicated saka ndaidaira ndichiti kudii?"Dean
urisei kurisei kumba kwako" "kumba hakusi bo
missing you Memo ,my life is empty without you
when l think of you l think of love !" Dean
anenge aive nemushonga chete because apa
ndakatanga kutonzwa kutoti ndakuda kudzokera
hangu kumba kwangu ,kutaura aigona aitaura
mazwi aibuda huchi kwete sugar ."Dean l know
you love me but ndiwe wakairasa kare
wakandidzinga wega apa wave kudzoka futi saka
urikuda kuti ndiite sei?" Apa ndaingoda kunzwa
hangu kuti anotii asi nyaya yanga yapera kare
,"Memo unoda kuti ndiripe nei kukanganisa
kwandakaita nyangwe wakada nyanga yenzou
ndinonotsvaga hangu musango zvese
nechipembere chacho",ndakaoma hangu
nokuseka kuti vana Dean vaya vaimbozviita
mbaranda nhasi vasvava ."Ndirikuzvinzwa wena
ndichazokuudza kuti ndafungei nezvazvo "
"hapana chakaipa ndanga ndataura natete kuti
hazviite here kuti next weekend wouya tosangana
kwatete totaurirana ." Ndakatoona kuti nyaya
iya yanga isisina kumira mushe ,"iwe hanti
unoziva kuti ndiri kubasa and next weekend
ndinenge ndisati ndahora ." Apa kwanga kwave
kutiza nyaya manje "kana zviri zvemari babie
dont worry ndokutumira kana kuuya kuzokutora
unosarudza zvirinani kwauri ."Pakaipa "saka
ndichambotaura namadam vacho ndinzwe kuti
vanobvuma here,takazotaura nyaya dzakawanda
ndakatozoti mangwana ndinganonoka kubasa
ndokubva pafoni.Asi kudzokera kumba kwaDean
kwaive nemusoro here? Ndoitawo sei nhaimi
?apa ndanga ndava pamharadzano yenzira
kushaya kuti ndotora ipi.Mangwana
ndakangosvika kubasa ndichiudza Sheila nyaya
yese ,iye akati ndaifanira kudzokera kumba
zvebasa zvinopfura izvi.But ini ndaive nemoyo
miviri ,sometimes ndaizvibvunza kuti God why me
zvinhu zvisiri kunatsofamba.Ndakazoti regai
nditaure namadam nezveoff yenext weekend sezvo
musi uyu yaive Friday ini ndaizoda kuenda next
Friday yacho .Ndakangotsvaga zvekunyepawo
semunhu mukuru haushaye zvokutaura,madam
vangu ava vainzwisisa zvisingaite vakabvuma kuti
ndoenda ndozotanga basa Tuesday ndakabva
ndaziva kuti zvangu zvaita.Nguva yose iyi Kuda
ndanga ndambomira kufunga nezvake asi
pandakangoona lunch yakwana pfungwa dziya
dzakadzoka futi ,asi hakusi kupenga here uku?
Musi uyu Kuda haana kuuya futi ndakarovera
moyo padombo kubvunza Sheila nokuti anga ava
nenguva achishanda murestaurant umu ."Nhaiwe
Sheila ko big customer yamadam kubva nezuro
haana kuuya wani" apa ndakabvunza pachikuru.
"Ko uri kumudii nhaiwe Memo "ndanga
ndabatwa "kungobvunzawo semunhu wandaiona
achiuya everyday " "a ini ndakambonzwa
madam vachiti anomboenda kuChina kunotenga
mishonga yekusurgery kwake "zvandaida kunzwa
ndanga ndazviziva ndakangozoti "saka munhu
ane zvinhu zvake anongooneka "Sheila akaramba
akanditarisa "Memo handichakuona zvakanaka
manje"takabva taseka kunganwa kuti tiri
pabasa.Ndakasvika kumba ndokuona tete vachiri
vakagara ndakafara zvisingaite nokuti ndaida
kuvaudza nezvenyaya yaDean.Tete vangu vaive
nemoyo wakanaka asi murume vaive vasina
,hawaimbovaona vakatsanwa always smiling
pose pavari.Ndakavaudza nyaya yose
nehurongwa hwese vakafara veduwe vakati ndiye
Mwari chaiye .lni ndini ndaive ndaita munyama
wekuzoita imba yechi2 vose varivatatu vaingove
mudzimba dzavo dzokutanga .Tete
vaindisimudzira pakuziva Mwari chaipo munhu
aive akapindwa nekunamata
zvakanyanya.Mazuva akamhanya veduwe Dean
achingofona ,mari yanga yatotumirwa becoz
ndakaramba zvokuti auye kuzonditora .Thursday
ndiro zuva randaipedzisira kuenda kubasa
ndobva ndaenda kuoff ,Kuda ndanga ndisisina
basa naye and aive asingaoneki apa ndaifara sei
kunoona Dean .Mhamha vaive vabvumirana
nazvo munhuwese aingoti munhu wese anotadza
saka anoda kuregererwa ,imba chinhu
chakakosha kana une imba yako unoita chimiro
pane vamwe.Nguva dzokuenda kumba dzakwana
ndakabvisa apron ndokubuda hangu ,ndakati
ndichidarika pacar park pange pane murume aive
akazembera mota achibaya baya foni
ndakangodarika handina kutarisa kuti ndiani
.Ndati fambe ndakanzwa ave kundishevedza
"Memo Memo wait "
1)Ndiani munhu
akashevedza Memo 2)ko
mangwana anoenda kuChinhoyi here ?
Ngatisanganei muchapter inotevera
END OF CHAPTER 12
[2/5, 21:34] Sasha banks: Life is a journey
Story by:H.Sengi
Chapter 13
Hana
yangu yakarova kuti aive ani andiziva usiku
hwakadai nhaimi ,ko aiitei ega pacar park apa ,
ko arikudei kwandiri uye akandizivira kupi.Nguva
yose yandaizvibvunza mibvunzo yòse iyi munhu
aitofamba achiuya kwandiri , ndakaramba
ndakanatsotarisa sezvo wanga hwave usiku
ndangandisinganatsoona.Ndakatozomuziva
atosvika kuti ndiKuda ."Hesi Memo "akadaro
achindimhoresa ,"murisei henyu" murume uyu
airatidza kuti aive netunhu twake uchingomuona
chete apa hwaive usiku zvawo asi ndakatoona
zvakawanda."Sorry nokukumisa kwandaita
ndaona kuti speed yawanga uinayo ndeyekuda
kukurumidza kusvika kumba ", apa ndanga
ndangotarisa pasi kana chandainyara
ndakatochishayawo kuita sekamusikana kari
kutanga kupfimbwa here."Eye ndinoda
kukurumidza kusvika kumba " "ko ndirikuda
kukuona mangwana zvinoita here?" Apa panga
pakuda kundiomera ndoita sei nezuva
iri,"mangwana ndinenge ndiri pabasa hanti
iFriday here saka nguva handina."Apa
ndakanyeba ndichida kuedza kutiza nyaya ,"ko
ndataura namadam wako vakati unenge uri off
unozotanga basa Tuesday wani."Kana mhinduro
ndakaishaiwa ndakangotsvaka zvimwe
zvekutaura semunhu hauzopererwi "ndanga
ndatokanganwa kuti Friday ndimangwana but
ndiri kuda kuenda kumba pane zviriko emergency
hazviite kuti ndirege kuenda " "pliz pliz Memo
ndidzwisisewo unozoenda kana Saturday no
problem "Apa paive paipa zvino aimboziva nyaya
yandaiendera here munhu uyu "ndicharara
ndichimbofunga kuti ndodii ndozokuudza answer
yacho" kutaura chokwadi kuChinhoyi ndave
kutombomira kuenda Dean kana achindida
chaizvo achandimirira."Ndipewo number dzako
Memo ", "very sorry l dont give my number to
strangers kkkkk" " lm not a stranger but a
friend Memo " murume uyu aitaura zvinyoro
nyoro ,manje isu ana Memo taitaura fast fast aive
makwikwi chaiwo .Ndakazomupa number dzangu
ndichibva ndaenda hangu,musi uyu ndaive ndati
nonokei kusvika kumba ndaitonamata kuti dai
ndakasvika tete varara hangu.Handina
kutozivawo kuti vaive vakatondimirira nemesage
yangu ,pandakasvika ndaive ndatofunga
zvekunyepa kana ndabvunzwa ."Memo ko nhasi
wanonoka nei kuuya nhasi asi mave neovertime
here?"apa zvose zvandifunga kunyepa zvakabva
zvambotiza mumusoro "tete ndanga ndashaya
foni yangu ndiyo yandanga ndichitsvaga "ko
ndaiitsvaga pai kunyepa kwakaoma kunyanya
kana usingakugoni zvakaoma.Tete vanenge
vakatozviona kuti ndainyepa ndokubva vasiyana
nazvo ndokutanga kutaura dzimwe nyaya hedu
.Foni yangu yakabva yapinda mesage kuwatsup
"babie wafamba bo here?"ndakangotanga kuseka
ndakatarisa pafoni ,tete vakabva varamba
vakanditarisa "Memo ndiani atumira mesage
iyoyo asi ndiDean here?"ndakangodaira
nemusoro kuti ndiye ."waunzwa mashoko
akufadza kubva wasekerera pafoni ,ko baba vako
vafona hanzi havasi kuda kuzvinzwa zvokuti
urikuuya kuChinhoyi kuzoona Dean hanzi kana
wadzokera kumba kwaDean hausisiri mwana
wavo "asi chii chaizvo chaimboitika mulife yangu
tingati icurse kana kuti mademon chaiwo
.Wakangoda kuita izvi panouya zvimwe
mangwana ndanga ndanatsoplaner kuenda
kuChinhoyi Kuda kana uti abva kupi
unozvishaya,apa baba vave kutaura futi zvokuti
ndisauye saka ndoita sei ndosaka ndaida
kuzviuraya hangu ndizorore because life yacho
inongove stress after stress ."Saka tete baba
ndizvo zvavataura saka mati ndoita sei ?" "iwe
wanga wafungei nazvo asi kuti uite zvisiri kudiwa
nababa vako ko mangwana wakazowana
dambudziko unochema nani",ndakaona kuti
zvinhu zvanga zvandiomera zvino nyangwe hangu
ndanga ndisisakwanise kuenda mangwana asi
Saturday ndaimuka ndichienda zvimwe zvinhu
ndezvekuomeserana."Hanzi mhosva yacho ndeyei
nhai tete?" tete vanga vave kutoomerwawo nazvo
,"Memo baba vako ndamboedza kutaura navo
kuti Dean anoda last chance tomboona kuti
achinja here ,asi varamba vakaoma musoro saka
ndaiita sei hanzi Dean akandirwadzisa
handikwanise kumuti mkwasha zvekare kudzinga
mwana wangu kunge imbwa kana kuuya
kuzotaura nhasi Memo wacho anakei."Baba
vangu vainetsera kuti chavataura ndichocho
hapana aivakwanisa ,"saka ini tete mangwana
handichaenda ndozonzwa kuti vanenge varongei
vanababa regai vadaro Dean akaonererwa
kundidzinga pamba pake kuita kundikandira
mbatya panze ndakazvifunga ndinombofunga
kaviri tete."Apa zvangu zvanga zvabhadhara
mangwana ndochienda kunoona Kuda hapana
chekumhanyira apa ,asi tete ndovati ndiri kuenda
kupi ini mangwana ndisiri pabasa .Ndinozowana
zvekutaura kwaedza "tete nyaya iyi yakaoma
regai ndizorore hangu " "saka mangwana
totomboswera tose sezvo usiri kuenda kubasa "
ndakangoseka hangu ndokunorara ko ndaigotii
nhaimi? Pandakazobata foni Kuda aive atumira
mesage achibvunza program yemangwana ,apa
ndaive ndichiri kunyara kudaira zvakawanda
aizondiona kunge ndiri mufast saka ndaitofanira
kupfavira ngoma nokuti usiku urefu
.Ndakangomuudza kuti ndaizomuudza makuseni
kuti zvakamira sei,ukuwo Dean aitobvunza kuti
ndaisvika nguvai asi ndakangoti kubasa kuri tight
ndaizomuudza kana zvaita .Apa kachirwere
kekunyepa kaitoenda kachikura zvishoma
nazvishoma ,ndakamukira makuseni kugadzirira
vana vaienda kuchikoro .Ndapedza ndakazoita
basa rose tete vakatoshamisika kuti munhu asiri
kuenda kubasa kukurumidza kumuka kudai
havana kuziva kuti paive nezviripo
.Ndakazosendera Kuda mesage kuti ndaikwanisa
kuuya kuzomuona ,akabva ati taizosangana na10
mutown paive pakaipa hameno
Mwari.Ndakanatsogeza zviya zvokuti kana neni
ndakapa kutenda ,ndakazvipa nguva yokugara
pamirror ndichinatsoita make up iya yemufirimu
chaiyo .Ndakapfeka dress rangu randaiti ndiro
best nebutsu yacho yaimechana nehand bag
,musi uyu nenzara dzanga dzaka polishwa kwete
zvokutamba ndokubva ndanatsogadzira bvudzi
rangu maingonzwa veduwe.Pandakabuda
muspare tete vakaoma nekuseka havo "Memo
urikuenda kupi? uye nani? smart yako iyi ndeye
munhu arikuenda ocassion iri special tell me wat
is the secret ?" Tete vaive vakangwarisa veduwe
zvose izvi vanga vatozviona nguvai "tete l just
want to see a friend of mine mutown ndodzoka
nhasi ndiri pano " apa vanga vatozviona kare kuti
pakaipa."Memo you are looking smart kana
munhu wauri kunoona ........"havana kuzopedza
kutaura foni yangu yakabva yaringer aive Kuda
aitobvunza kuti ndave kutopinda mutown here
.Ndakazobuda ndave kumhanya tete vakasara
vachiseka havo ,pandakasvika mutown ndakabva
ndangoudza Kuda pandaive ndakamira pasina
nguva anga atouya kuzonditora .Ndakaita
zvokuvhurirwa door remota safirst lady chaiye
ndakazomhoreswa tagara mumota "Memo
wamuka sei ?" apa ndakangoramba ndakatarisa
kuwindow "ndamka wamuka sei " But murume
uyu anenge asingaseki chete face yake yaive
nekamwe kaserious kasingaite."Kurisei kumba
kwenyu ,but nhasi you are looking different
ndanga ndatombokushaya pandasvika apa saka
hauna kufitwa nebasa remurestaurant riya "ko
baba ava ndizvo zvavandishevedzera here
kundiudza zvose izvi ,ndakangozoona mota
yakureverswa kuenda kwandaisaziva ndakangoti
hameno .Ndakazoona tasvika kuRoadport asi
ndiko kwaive nesurgery yake regai tiite zvekuona
mbavha yeBocha .Takazodarika Roadport
ndokupinda pabuilding iri panext pacho
ndokubva apaka mota yake ndokuburuka ,ini
semunhu aisaziva zvaitora nzvimbo
ndakangoramba ndakagara hangu ndokuzoona
ndavhurirwa ndokubuda ."Memo you are
welcome wakutotanga kuziva kuti Kuda ndiani
uye anoita nezvei ",ini apa ndakangoramba
ndakanyarara ndisina kana comment
ndaingotevera mumashure .Takatanga kusvika
nepanenge pareception asi paive pakagara vanhu
vakawanda pamabenches zviya zvokuratidza kuti
maive musurgery vanhu vaive vakamirira kuona
chiremba.Ndakazoona vasikana 3vaive vakapfeka
mauniforms kuratidza kuti aive manurse
aishandamo ,vakanditarisa kubva kumusoro
kusvika kutsoka.Mumwe wacho ndiye akazotanga
kutaura "Dr pane munhu asiya tsamba iyi hanzi
ndikupei "murume uyu aive adingaseki sure
aitotyisa kana manurse aya airatidza kuto
mutyawo akangotora tsamba iya ndokungoti kuna
nurse uya follow me .Takazopinda munenge
muoffice make imomo maive smart zvisingaite
,ndakasvikopiwa chair kunzi ndigare .Iye
akanogara pachair yaive opposite ,Sister vaya
vakaramba vakamira "sister Trish meet my friend
Memo " Trish uya akabva andimhoresa achifara
"nice to meet you Memo " "nice to meet you too
Trish " Kuda aive nemaorders asingaite "sister
ndipeiwo just 1hr nevisitor yangu iyi mapatients
ndozoatenda after pliz nyangwe anenge auya
ndiri buzy l trust you "vakabva vatarisana
ndokuseka ,kureva kuti Kuda uyu aive
wemagameka .Trish akabva abuda ndokusiya
avhara door ndokutisiya tiri 2 Kuda ndiye
akatanga kutaura "Memo nyaya iripano tinoda
kuzivana iwe neni zvako zvokuramba wakasona
muromo wombosiya if l say business l really
mean it".Kuda uyu hameno kahunhu kaaingove
nako kandisina kunatsofarira aive nepride
yakanyanya but ndanga ndatouya kare saka
panga pasisina yekutamba.Ndakangoramba
ndakanyarara because ndanga ndatosvotwa naye
"Memo ini wotojaira because ndizvo zvandiri
saka rega nditange kukuudza kuti Kuda ndiani
,My name is Kudakwashe Sibanda lm third born
in a family of four .3 girls and 1 boy .lm single "
ko kuzoti lm single pakaipa."Im Memory Moyo
first born in a family of 3 girls " "Nice to meet
you Memory Moyo ,my father is late but mhamha
vangu vanogara kuEastlea " Kuda paive nebasa
veduwe ."Nice to meet you Kudakwashe Sibanda
my parents live in Chinhoyi and lm 26 yrs old ",
pamakore ndipo pandida kunzwa "lm 38 years
old and lm a doctor and a farmer also " apa
hapana anga atanga kutaura history yake."Memo
l was once married but l was disapointed
nemukadzi wangu ,unongoziva nebasa redu iri
dzimwe nguva unoshaya nguva nemhuri so she
took it as an advantage yekutanga kundicheater
nemuzukuru wangu wena ndaingonzwa asi
ndakazovabata red handed l was shocked zvokuti
ndakatomboda kuzviuraya because ndakaona
pasina chekuraramira panyika l trusted her but
aa zvakaoma ".Ndakaona murume mukuru
atsikitsira pasi kuratidza kurwadziwa
ndakatomunzwirawo tsitsi ,ndakabva
ndazomuudzawo my past hapana chandakasiya
ndaida kuti azive chokwadi sezvachiri asaite
zvekufungidzira.Ndaktoona kuti tose taive
tapindana nezvakaoma ,"ini naex wangu taive
nababy girl asi pandakamubata akati mwana aive
asiri wangu ,aive wemuzukuru wangu saka
vakabva vaflyer vese kuenda America vanhu ava
vaidanana kubvira tisati tarorana .Saka from that
day ndakatsidza kugara ndiri single forever but l
dont know kuti why pandakakuona
ndakangokufarira forgive me Memo this is the
whole truth ".Apa ndakasara ndisina remuromo
past yaKuda was too much ,"saka Kuda
wakarambana nemukadzi wako rini " "about
12 years ago "zvaitonzwisa tsitsi hapana asina
nhamo yake .1hr iya yakazosvika ku 2hrs
ndakatozoita zvenharo ndakutonzwira tsitsi vanhu
vaida kuona chiremba ava ."Saka Memo
ndokuona rini apa wati unogara DZ natete vako
,unouyaka mangwana l want to know you beta be
my friend Memo mayb ndingabve mustress dzose
idzi dont worry ne hunhu wangu lm
sorry"Takazobuda Kuda ndokundiperekedza
ndakazokwira taxi kuenda Copacabana .
1)Memo achazoda Kuda here
2)Kuda ari serious here kana kuti
arikungoda kutamba naMemo
Ngatisanganei muchapter
inotevera END OF CHAPTER
13
[2/27, 14:53] Sex: Life is a journey
Story by :H.Sengi
Chapter 14
Semunhu aive
asina business mutown ndakabva ndangopinda
mukombi kuenda kumba.l couldnt believe zvaive
zvaitika zuva iri ,ndaingoti ndakafunga
ndaingosekerera ndega .Kubata kwaMwari
kunoshamisa veduwe kana zvaDean ngazvigare
hazvo ini ndakuda kutanga new life .Dean nguva
yandaimuda akandivhairira ndakaita kunge
ndichafa nokushaya kuti ndodii asi nhasi Mwari
vandinyaradza .Ndakasvikowana tete nehusband
yavo varimo havo vari palunch,vakabva vatanga
kuseka saka izvi zvaireva kuti tete pane zvavaive
vaudza murume wavo chete ."Maswera here
vanhu vemuno "ndakadaro hangu ndichigara
pasofa paive pakagara tete ,"taswera arisei
munhu wawanga waenda kunoona nhaiwe
Memo"ndakabva ndaseka hangu "munhu upi
handina kumuona andinyepera ndafambira
mahara tete". Apa ndaisada kuudza tete chokwadi
murume wavo aripo "very sorry hako ko apa
wanga uchiri kupi " "ndanga ndichitomboita
window shoping hangu."Baba Ruva
vaingonditarisa neziso rekundivenga chairo ko
ndaive ndavaita sei ,zvokuti ndidanane navo
zvaisaita manje ngavakanganwe havo.Ndakaenda
kukitchen ndokunotora sadza ndokudya
,ndapedza ndipo pandakati regai ndimbofonera
mhamha ndichivaudza nezvekusauya kwangu
kuChinhoyi.Ndipo pavakatondiudza kuti kumba
kwaisagarika nababa nenyaya yokuti ndaida
kudzokererana naDean ,saka mhamha vaitoti
zvirinani ndisiyane naye hangu.Nyaya yanga
yavepo kuudza Dean wacho chokwadi kwete
kuramba ndichimunyepera saka zvaireva kuti
mangwana ndaitofanira kuenda kuChinhoyi
ndonopedzerana Dean panyaya iyi pasina
kukundikana .Mhamha vakatozoti kana ndadaro
ndiko kupedza nyaya chete ,chokwadi chagara
chakanaka munhu ogara akaziva
zviripo.Takazotaura natete vakati hapana
chakaipa ndaizomukira kuenda mangwana sezvo
ndaive ndapihwa mazuva kubasa ndiwo waitove
mukana wacho.Nyaya yainyanyondidya moyo
ndeyokuti ndisave decided kuti ndodii ,confusion
yaive yakandiwandira kusaziva zvandaida
chaizvo.Zuva rose ndaingotarisira kuti Kuda
achafona kana kusenda mesage zvayo but he was
different nevamwe varume mayb inyaya yokuti
anogara ari busy nebasa hameno .Manheru
takabika sadza ndokudya ndakabva
ndakurumidza kuenda kunorara sezvo
ndaingofunga nezverwendo rwangu nezvaizoitika
ndasvikako .Ndatorara ndipo pandakanzwa foni
yangu ichiringer ndakatombofunga kuti pamwe
ndiKuda asi ndakatosvotwa ari Dean ko aidei
nhaimi.Ndipo paaitobvunza kuti ndinouya rini
,asi ndakatoona kuti munhu anoda kuunzwa
chokwadi"Dean dont bother yourself nezvangu
wakandiramba ,wakandidzinga when l needed
you most .Handaifunga kuti ndaaizokwanisa
kurarama usipo but now l believe there is life
after love"ndakazongonzwa foni yakatwa ndakati
unonyepa ,nakangomufonera kuti hande
paapp.Ndakamusendera long message"Dean l
gave you my heart ,my soul and my body asi
wakaitei nazvo ?" Apa ndakambomira
ndakatarisira answer asi haana kupindura
ndakasenda imwe "you broke my heart Dean after
all l did for you l gave you my pride and what l
got in return disappointment Dean why why why
?"ndakazoona ave kutyper yake message "Memo l
know l hurt you but only l want from you is
another chance to correct my mistakes pliz Memo
dont leave me now " "l dont think you deserve
another chance good night" Apa ndaida kuti
asapindure because ndaive ndaona mesage yaive
yabva kuna Kuda"babie lm home now how are
you ?" "fine how are Kuda how was your
day?" Ko nndaigotiwo kudii ndaitoshaya
zvokutaura ,"wanga uchitaura naniko nhaiwe
wanga uri online nguva yose iyi "murume uyu
anga ave kuda kutoziva private life yangu so soon
zvakaoma vanenge vainetsa chete."Ndanga
ndichitaura nefriend yangu " ,mhinduro yacho
chete yandakapiwa "tell him kuti kwane new
friend inonzi Kuda " ndakaseka kuti vakutoita
shanje kare here."How do you know kuti murume
musikana uyu " "never mind Memo lm just joking
hangu ko todii nemangwana wena but kuside
kwangu ma1 chaiwo ndinogara ndiri busy izvozvi
kutopinda mumba since morning pakaoma
zvako".Anoziva kuti anga arikubasa ndiani iye
munhu arikuti ari kupinda mumba past 11
varwere vapi vanenge vachiri kurapwa izvozvi
regai ndirege kumuendera mberi tione."Hameno
iwe Kuda "ndanga ndisisa mutruster munhu uyu
anenge aiita zvose zvose hameno pamwe kufunga
kwanguwo."Hazviite here Memo kuti kana
ndapedza basa ndouya kwatete ndokuona ikoko
because ndikasadaro handimbokuoni ndinogara
ndiri busy mayb ndosaka takazotizwa nevakadzi "
izvi zvaive zvisingaite nyangwe zvazvo paive
pasina zvaivapo tete vaizondiona sei apa
handisati ndapedza imwe nyaya ndotanga imwe
zvairatidza kuti ndiri munhu akaita sei kuna
tete."Ok Kuda ndichataura navo makuseni
ndozokuudza answer kuti vati zvinoita
here",paive pakandiomera tete ndaivaudza sei ?
"Lets hope vanobvuma "takazotaura nyaya
dzakawanda dzeupenyu kunyanya zvataive
takasangana nazvo hapana aive asina zvake
zvaimunetsa ndakatozorara late .Kuda aive
murume mushava ,ari murefu ,mutete ari
handsome zvokuti wakaramba wakamutarisa
wainwa mvura .Chandanga ndisati ndanatsoona
paari maziso ake nokuti aigara akapfeka maglass
,kana mazino ake because aisaseka zvokumhanya
murume uyu .Chandakadzidza pana Kuda
ndechekuti aisada kujairirwa nevanhu ndaimuona
nyangwe paaiuya kurestaurant aisatombotaura
nevanhu aingogara ari pafoni yake kusvika
abuda.Makuseni ndakamutswa nemesage yaive
yabva kuna Kuda "Memo hie warotei
nhasi"zvimwe zvinhu zvakaoma "kkkkk hapana"
"l miss you Memo tozotaura apa ndave kumhanya
kubasa ndini ndiri paduty kuhospital saka nguva
dzafamba but tete vakangobvuma kuDZ ndouya
".Saka munhu uyu aishanda futi kuhospital zvese
nekusurgery saka aive asina nguva yekuzorora
sure ."Ndokuudza kuti vanenge vabvuma here kuti
uuye ndozokùudza"ndaitoshaya kuti tete
ndovatanga sei nenyaya iyi,ndakaita basa redu
tichifara tichitaura nyaya dzakawanda
.Ndakazoona kuti ndakanyara handigwaze ndipo
pandakatanga kutaura semuenzaniso "nhai tete"
ndakambonyarara ndakadaro "ko watii
Memo?"apa ndaishaya pekutangira zvino ."Ko
tomboti ndawana mumwe murume anenge
achindida zvinoita here?ndakabva ndaramba
ndakavatarisa "iwe taura nyaya yako asi wave
nemumwe ave kukuda here?" "aiwa tete
kungobvunzawo hangu ko ndomuwanepi ?"Apa
tete vakabva vaita kubva pasofa pavaive
vakagara kuuya pandaive ndakagara ndakaziva
kuti pave kuda kutaurwa dzepasichigare
chaidzo."Memo usaswero rova imbwa wakaviga
mupinyi taura nyaya yako usatye muzukuru ndiri
tete vako paunorasika ndokudzora."Apa panga
pasisina chokutya ndakabva regai ndivaudze
nyaya yese sezvairi ,ivo havana kuita nharo
vakangoti ose machena nokuti hapana anoziva
chakakodza nguruve .Saka ndakabva ndatumira
Kuda mesage kuti tete vaive vabvuma dzanga
dziri kuma10 asi akazopindura kuma2 achiti anga
ari mutheatre nepatient .Saka akati kana
akurumidza kupedza aizondiudza ,takabva
tanatsogadzira mumba kuti Kuda paaizouya
awana zvinhu zvakarongeka ,takabva tabika
chikafu chedu nechemuenzi wedu .Kuda
akazofona dzave kuma6 kuti aive asvika
pamashops ekuDZ,saka ndakabva ndaenda
kunomutora sezvo aive asingazive kumba kwatete
.Pandakasvika pamota yake akabva aburuka
ndokumira akazembera mota ,he was wearing a
nice black suit ndakabva ndaona kuti paita
zvababa apa ."Thanx Memo nokubvuma kuti
ndiuye kumba kwatete vako l thought you are one
of these Harare girls vanenge vasingadi
kuonekwa pavanogara "aitotaura achivhura door
remota kuti ndipinde "Kuda you talk too much "
ndakazopedza kutaura mota yatomutswa kare
pamba patete paive pedyo nemashops saka nguva
diki tanga tatosvika .Takapinda mumba tete vaive
vakatotimirira,mumba matete maisanyadzisa
maive nezvose saka zvaive zvakarongeka .Kuda
akakwazisana natete ndokuzoita maintroductions
ose tete vaingondipa ziso rokuti wakamuwana
kupi murume akadai .Tisati tambotaura
zvakawanda foni yaKuda yakabva yaringer
ndakangonzwa no problem lm on my way
,akangokata foni ave kutooneka "sorry tete
ndafonerwa hanzi kwaita accident kunaBeatrice
road saka pane vane vakuwara saka ndini
chiremba ari paduty a zvakaoma ndakutoenda
ndodzoka pamba ndapaziva"akazopedza kutaura
ave kutobuda takasara takangotarisana natete
pasina aitaura nemumwe .
1)Memo achazvikwanisa here zvekudanana
nemukomana anogara ari busy saKuda
,Ngatisanganei muchapter inotevera
END OF CHAPTER 14
[2/27, 14:53] Sex: Life is a journey
Story by :H.Sengi
Chapter 15
Sometimes
zvaiita Kuda ndaisazvinzwisisa l think he is
hiding something chete ,ndakati regai ndimboona
kuti zvinosvika kupi .Tete ndivo vakazotanga
kuseka zvavo "kkkk Memo shamwari yako iyi
unoiona sei ? munhu kwaye here?ummm pane
nyaya mwana wehanzvadzi yangu ,handina
kuzvipiwa zvakanaka."Apa tete vanenge vaitaura
chokwadi zvese zvokuti ari single kunenge kwaive
kunyepa ,God what can l do now confusion iye
yatanga . "Tete kana ini lm confused nekuita
kwake pane zvandisiri kunzwisisa paari "
"anombogara kupi?" mibvunzo yaive
yandiwandira zvino ndaitoshaya kuti ndotanga
upi,"ini ndinongoziva kuti mai vake vanogara
kuEastlea mayb ndiko kwaanogara
handizive."Paive pakaipa "asi ndichiremba
zveshuwa here?" "Eye tete ndakatomboenda
kusurgery kwake." Tete vaida kunatsonzwisisa
zvechokwadi "sekuona kwako haana mukadzi
here?" "ipapo panonetsa but ndinoona
sekudaro nokuti everyday anouya kuzodya
kurestaurant lunch nesupper "hapana chakasara
kubvunzwa tete vaida kuziva zvose."Saka
makatanga kudanana rini?" "Kuda handidanane
naye he is just a friend ,nezuro pandakatoenda
ndiyo yaive second time yekutotaura naye saka
haana kutaura nezvekudanana akangoti tiite
mafriends."Ndakabva ndatsanangurira tete zvose
kubva musi waadonhedza business card rake
murestaurant kuzosvika nezuro ndichizoenda
kusurgery kwake."Ko iwe haumude here Kuda ?"
Ndakabatwa nesetswa handaitarisira kuti tete
vangandibvunze mubvunzo uyu "handimude tete
regai ndimbozorora ,ko ndakamuda obva ati ave
kuda kuroora ndozoita sei ndonodzingwa futi
ndatadza kuita mwana l prefer kurarama ndiri
single .l dont want to die before my time ",nyaya
yedu yakatozopera nguva dzakapinda baba Ruva
takabva tachinja nyaya.Ndakangopedza kudya
nokunorara ndakasiya vana tete vachitandara
ndainzwa kuti ndinoda kuva pangu ndega
ndimbonatsofunga nezveupenyu .Ndakarara asi
hope hadzina kuuya ndakaedza zvose asi
zvakaramba ,ndakafunga upenyu hwangu kubvira
ndichiri kuchikoro kusvika pandanga ndave
ndakanatsoona kuti ndaive ndakatamba
nenguva.Ndakambofunga nezvaDean ,ndosiya
ndofunga nezva Kuda kunze kwakaita kunge
kuchaedza ndakasvinura.Ndakambobata foni kuti
ndifonere mhamha asi nguva dzacho dzaive
dzisingaite dzanga dzatove past 1 am ,ndakabva
ndakanda foni kure ndakuedza kurara
.Ndichangobatwa nehope ndakavhundutswa
nemessage yaive yapinda mufoni mangu
ndakatoziva kuti hapana mumwe aive Kuda
."Memo lm sorry nezvaitika paya hapana
zvandaikwanisa kuita ,basa rangu rakaoma
rinoda munhu akazvipira vanhu vanga vakuvara
wena izvozvi ndiri kutopinda mumba kubva
kuhospital ." But munhu uyu anenge anonyepa
always busy "inga basa rako rakaoma saka kana
uri kuhospital ko kusurgery kunenge kuinani
"ndaida kunzwa kuti anenge achitaura chokwadi
here?"kunenge kuna nurse ini ndinotowanika
pandinenge ndisiri kuhospital most of the time
vanotoita zvekuto booker kundiona kwacho
,especially apa kana ndiri paduty kutobva kubasa
kunonetsa because emergency yese inenge iri
yako" "saka hauna kana nguva
yekumbogarawo pamba" "nguva yekugara
pamba handina because kana ndisiri kubasa
ndinenge ndiri kupurazi kwangu."Paive nenyaya
chaiyo "ko unofirei nokushanda hako munhu
anogara ega dai ndirini iwewe ndichitozvipa
nguva yekuzorora " "Memo unopenga chete
asi unoti ndicharamba ndiri single kusvika rini
very soon ndinenge ndaroora kkkkkk."Saka Kuda
arikundiudza nezvekuroora kwake ndinei nazvo
apa shanje dzanga dzandibata "ok good night"
ndakabva ndatobva paapp zvangu ndakutoda
kurara hangu ,saka Kuda paakaona ndisisiri
paline akabva aita zvekufona "Memo ko wabvirei
paapp manje haunyare ishanje here
pandangotaura zvekuroora mukadzi wangu
wabva wangoenda offline kkkk" kana
ndakambonyara iii apa zvaive zvakanyanya
veduwe Kuda akabva atooona kuti ndiri
kutomuda ndakatadza kana kupindura l remain
silent akabva akata foni.Nyadzi dzinokunda rufu
ndakabva ndaenda paapp ndokumunyorera long
message"Kuda very sorry shanje hakusi kubasa
kwangu ko ndingagoita shanje ndiri musikana
wako here ?" Apa kwaive kutaura kwemunhu
apererwa chete"kkkkk you think lm still a kid rega
nditumire photo remusikana wangu umuone kuti
ndakazviwanira hangu" Kuda ari kutoona kunge
ndiri strunded zvokuda kutovhaira nemusikana
wake manje l dont care,photo riya rakabva rauya
ndokunatso downloarder zvandakaona ipapo l
was shocked nazvo .Raive photo rangu raive
paprofile pangu randaive ndakatorwa Friday
pandaienda kutown.Ndakangoseka hangu "kkkkk
ndafara nokumuziva " apa panga pasisina
chekuviga Kuda angaatoona kare kuti
ndakatodiwa."Memo waona here madam
vangu,lLove this girl ummmm" apa
ndainatsoshaya kana chekutaura "kkkkkk"ndanga
ndapererwa nemashoko."Memo l Love you I
know you have been in a relationship but it didnt
work ,so give me a chance mayb lm the right
partner for you."Taive taneta nazvo
zvokungoudzwa zvinhu zvisingashande "Kuda l
need time to think about it " "how long ?"
wanga wangove mutemo chete but baba ava
ndanga ndavanzwira moyo kare zvose zvokuti
anenge anonyepa ndanga ndazvikanganwa
.Vakadzi hatinonoke kukanganwa nezvose
zvandaive ndakaitwa naDean ndatokanganwa
kare ndakutoda kupinda munew relationship
.Memo ko wakatadza kuita mwana futi wozodii
ndakazvituka ndega kuti ndaimbofanira kuzorora
ndombogadzirisa problem yakaita kuti ndibude
imba yokutanga."Memo lm serious l Love you
nezvauri kuita kana kusaita mwana give me a
chance and l will prove it to you" Nyaya yanga
yaoma zvino Kuda anga ave serious nenyaya
yake "l SAID I NEED TIME TO THINK ABOUT
IT KUDA ".Ndakazotarisa nguva ndokuona kuti
dzanga dzava past 3 ndakabva ndangokanda foni
uko nekurara .Musi uyu ndakangorara ndichirota
ndichichata naKuda muhall macho makazara
vanhu apa ndanga ndichiita kuchema
nemufaro.Sunday iyi ndakaramba kuenda
kuchechi natete ndaive nehope saka ndaida
kusara ndomborara ,saka ndakangoti kuna tete
musoro wangu urikurwadza.Vakamboti hande
unonamatirwa asi ndakaramba ,ummm this
woman of God was too much.Ndakasara
ndokurara ndakatozomutswa necall yaKuda aiti
kuhospital kwaisava busy saka aida kundiona
,aitoda kuti ndiuye mutown .Ndakambotsvaga
zvokutaura asi akabva ati ndipe number dzatete
nditaure navo panga pasina yekutamba
.Ndakasendera tete message vari kuchechi
vakangoti enda asi uzive nguva
yekudzoka.Ndakazopedza kugeza ndokugadzirira
ndokuenda ,ndakangoti ndichimuudza kuti
ndasvika mutown akabva auya ndokunditora
.Pakundivhurira door chete waive mutemo wake
aive asingakanganise,Kuda akabva ati
timbobudawo mutown ,akati tiende kunodyira
kwaZiko iri kwaSeke.Musi uyu aitombosekawo
zvaive nani than zuva ratakaenda kusurgery
kwake,takasvika takawana kwakazara vanhu
vamwe vainwa doro,vamwe vachigocha
nekutamba pool.Takasvikomisa mota yedu paive
nedzevamwe ndokubva taburuka ,Kuda aizivana
nevanhu veduwe waingonzwa zvirisei chiremba
saka kureva kuti anga ane nguva refu ari mubasa
rake iri ."Memo rega nditombodzima foni
vakanditsvaga nhasi vanondishaya "ndaigoti
kudii pamwe ndimai vekumba vaidzimirwa isu
tongokudzwa musoro hanzi vanhu vekubasa
vanonetsa .PaZico apa paive pakarongeka paive
smart ,lawn yaivepo chete vanhu vazhinji ndimo
mavaive vakagara imomo.Takapinda mubutcher
raivepo ndokutenga 1full chicken nemasausages
ndokubuda, ndokupinda mubar ndokutenga
madrinks edu .Takabva tasvika pabraai stand
ndokuisa nyama yedu ,moto waisave wenhamo
huni dzaivepo .Ko isu kugocha taikuzivira kupi,ini
ndaingotarisa Kuda achiita ."Nhai Kuda asi
haunwe doro here?" "Memo sei wabvunza "
"ndaona wangotenga madrinks chete" "eye
handibate doro asi urikuda kuti ndinwe here ?"
"Kkkkkk aiwa" "takutonzwa kubv kwamuri
madam"saka Kuda aitoona kunge ndamuda nhai
,but ummmm Kuda was something else
.Ndakambotanga ndichinyara kudya nyama ana
kunwa drink but ndakazopedzisira tave pamberi
."Ana Memo kunyara kudya ndidzo tsika here
ngatidyei tifare ndezvepanyika kudenga
hakuna"madrinks aye apera Kuda aida kutenga
mamwe but ndakazoti hazvichaita ko mari
yaisazivana paari .Tapedza kudya
takazonatsozorora tave kumboseredzera nyama
iya imwe takangosiya pabraai stand ,"Memo saka
wakaotii nenyaya yangu "apa akaita kubvisa
maglass ndokunditarisa mumaziso chaimo "Kuda
handisati ndakuziva ndipewo time" "how
many days kubva nhasi " "l cant tell you but
anytime "Musi uyu ndakafara zvandaive ndisati
ndamboita muupenyu hwangu hwose ,takataura
takafara nguva ndidzo dzakazomhanya ndaitoda
5 hrs kumberi."Ndakaperekedzwa kusvika kuDz
,manyemwe nemunyama hazvisiyane foni yangu
yakabva yaringer apa ndisati ndaburuka
ndakabva ndavhura door kuti ndibude ndidaire
foni Kuda akabva ati foni ngaidairwe munhu
akagara paseat ,apa paive pakandiomera
hangu...........
1)ko ndiani aive afonera Memo ?
Ngatisanganei muchapter inotevera
END OF CHAPTER 15
[2/27, 14:53] Sex: Life is a journey
Story by:H.Sengi
Chapter 16
Ko yaidairika
here foni apa ndakaita kutariswa naKuda l regret
it musi uyu apa zvaisaita kuti ndisadaire futi
azondiona semunhu akaita sei?"Memo kana
uchitadza kudaira foni give me nditaure nemunhu
wacho " ndakanzwa kutya Kuda aive apfeka fesi
yebasa "dont worry ndibaba vangu vanga vafona
saka ndaona kuti hazviite ndivadaire uripo
dzimwe nyaya hadziite kuti unzwe." "Memo
asi unoona kunge ndiri mu14 nhai usandinyepera
zvinhu zviri pachena ,Memo tell the truth une
munhu waunodanana naye here?"Mubvunzo uyu
wakandirovesa nehana "Kuda handina boyfriend
" Kuda aive neshanje dzakadarikidza pliz "saka
afona ndiani? " Apa ndanga ndapinda pama1
chaipo ko iye Dean azofona sei izvozvi
ndakambomutadzirei nhaimi."Ndati ndibaba
vangu wani Kuda" "Memo kana wakuda
kuenda kumba uchataura hako chokwadi " apa
ndakatarisa nguva dzaifambawo zvisingaite ini
ndiri kutosungirwa zvinhu nemurume uyu
.Ndakanatsoona kuti kudanana naKuda kwaive
kuzvisikira moto muziso chaiko,"Kuda let me go
tete vakandimirira izvozvi "ndakabva ndabatwa
ruoko kunzi ndipe foni nditaure nababa vako
hapana chinotyisa ." Kuda aive rough zvisingaite
because apa handaimboona chainetsa ini ,foni
handina kumupa ndakaramba nayo kusvika
akaisiya chete ."Memo chii chauri kuvigisa
mufoni mako " ndakatozoona kuti kupedza nyaya
regai ndimuudze chokwadi "Kuda munhu uyu
ndiex wangu ari kunetsa nenyaya yekuti
tidzokererane but ini ndakati enough is
enough"apa ndaingoda kuzvisunungura kubva
kuna Kuda ndakamuratidza foni iya akaverenga
mamesage ose akagutsikana ."lm not a cheater
kubva kwandakaita mumba mangu
ndakatobviswawo nezvimwe ."Sorry Memo lm
jealousy ndozvandiri wotojaira " munhu
anotoratidza matrue colours ake ne1 day,"no
problem Kuda rega ndiende wofamba bo"
ndakadaro ndave kuda kuvhura door remota kuti
ndibude "Memo ini hangu handidi kuti urambe
uchishanda murestaurant maunenge
uchingoonekwa nevarume vakawanda lm afraid
kuti unozotorwa sha" Kuda aive chiremba hake
but airwara nebrain chete pamwe ndiko kudzidza
kwaaive akaita l dont know."Iwe unofunga kuti
ndinoda varume here ini" " l know Memo but
unogona kuwana akadarika ini munopinda vanhu
vakawanda muya ko hanti ndinogara ndirimo
here"ndakaona kuti ndaitopedzisira tatorara
mumota umu ,"Kuda ndave kuenda tozotaura
paapp"ndakabva ndangobuda ndisina kumirira
imwe answer kubva kuna Kuda .Apa dzanga
dzave past 8 ,ndakasvikowana baba Ruva varimo
mumba vachiona news natete."ko nhaiwe Memo
warambidza Kuda kupinda muno kubva aperera
kugate" saka tete vanga vazviona kuti tanga tiri
pagate better ndanga ndichitya hangu .Kana vari
baba Ruva vaitoita zvokusemeswa neni chaizvo
takangoswedzana vachibva vasimuka kunorara
ndokusara natete hedu.Tete vakatomboti sadza
but ndaive ndakaguta ,ndakavaudza zvese zvaive
zvaitika .Tete vaingoti natsotsvaka uzive
chokwadi chose usati wapinda mumatope.Hope
ndidzo dzakazokurumidza kundikanganisa
semunhu aive aswera achifara ndaida nguva
yekuzorora .Ndakafonera mhamha ndichivaudza
nezvaKuda vakafara kuti ndanga ndave
kuzoenderera mberi nehupenyu
hwangu.Ndapedza kutaura namhamha ndakabva
ndanamata ndichitenda Mwari noupenyu hutsva
hwandaive ndatarisana nahwo,Kuda aive
atojaira kufona pakati pehusiku apo unenge
wabatwa nehope unoita kunge ucharega kudaira
foni yacho."Ndatadza kurara ndipewo answer
yangu kana kuti uchiri kufunga ex wako "ini
zvekutaura ndaisazvigona ndaingoramba
ndakanyarara hangu ndakangomuti hande paapp
chete."KUDA I LOVE YOU chindisiya ndirare lm
tired pliz " for sure ndaive ndakaneta zvose izvi
ndaisazvida."Memo a u serious thank you
,goodnight babie"Mesage ndakaiona asi handina
kupindura ndokurara zvangu,Monday ndanga
ndichiri paoff saka ndakafumira kuita washen
zvangu ndokuzopedzisira nekutsvaira mumba,tete
ndivo vaitobvunza kuti ndaive ndazopedzerana
here naKudà .Tete dzimwe dzacho dzavaibvunza
dzaitondiomera kutaura .Dean was now history
muupenyu hwangu aive akarasa mukana
wake,nyangwe iye Kuda akazondiramba
ndaingozowana mumwe futi kurambwa hakusi
kuguma kweupenyu .Kuda ndaive ndamuda
hangu asi aizozvigona here kugara neni ndisina
mwana nyangwe aiti aindida zvakadaro who
knows kuti aizomira mira neni.Baba vakazofona
vachida kuziva kuti ndaizouya rini kumba ,apa
ndanga ndisisazive nokuti maoff days
angaatopera pamwe zvaitove zvemonthend
chaizvo hanzi vanhu vandisuwa vave kuda
kundiona dzimwe pfungwa ndakafunga kuti
mhamha vanenge vaudza baba nyaya yaKuda
chete zvino nababa ndinotukwa hangu.Tuesday
yakakwana ndokudzokera kubasa Sheila akafara
kundiona takataura dzose dzakaitika paweekend
ndakazosvika kumuudza nezvenyaya yaKuda
akamiswa kuti zvanga zvaitika sei?"Memo are
you serious ndashamiswa nazvo because ndiwe
musikana wekutanga kufarirwa naKuda
ndashanda for years muno murestaurant
nevasikana vakawanda asi ummmm like you
Memo." "Nhaiwe Sheila ndiudzewo sekuona
kwako Kuda munhu akaita sei ?"Kuda ndaimuda
hangu asi ndaive nekakutya kuti anogona
kundirasisa uye airatidza kuti mafaro aidiwa apa
ndakamuona hangu musi wataenda
kwaZiko."Munhu anonetsa kuziva nokuti ini
ndinongomuonawo muno chete saka handidi
kunyepa" naSheila tainzwana veduwe,kwete
vamwe vasikana vose ava .Palunch Kuda haana
kuuya akatozouya ndakutopedza basa achida
kundiperekedza kumba."Memo l think nhasi ndiro
last day rako rekuuya kubasa tanzwanana here?"
But Kuda was too fast hazvaiita kuti munhu
wandisati ndanatsoziva hunhu hwake uye kuti
kudanana uku kwaizosvika kupi."Kuda sometimes
unotonga nedemo decision yekusiya basa
ndeyangu ndini ndinoziva zvandakaridira ndine
vabereki nevanin'ina varikuda kuchengetwa neni
saka nyaya yako yakaoma" baba ava pride ndiyo
yaive yakawanda pavari "madam vako
vanombokuhoresa marii yaungatorambirira
murestaurant mavo."Kumwe kutaura kwacho
kwaive nekutoshora mukati "nyangwe rakaita
dollar ndorida hangu nokuti ndanga ndisina",
"asi ndinoda kuti uende kuchikoro zvekushanda
murestaurant hazvina future pafunge ipapo
,unofunga kuti unosvika kupi nebasa iri chimwe
chinhu ziva kuti time haisi yako urikukura
unosvika kupi uchishanda basa iri" apa ndaive
ndaunzwa chokwadi chisingatengeswi kana nharo
panga pasina ."Kuda ndazvinzwa asi kuti
ndirambe ndichipa vabereki basa rokundidzidzisa
futi apa vane vamwe vana vakavatarisira
pakaoma baba vangu vakambotaura nezvazvo asi
ndakaona sekuvaomesera hangu." "Memo
ndini ndati ndirikuda kuti uende kuchikoro l
promise kuti ndichaita zvose kusvika wapedza
unoda kutangira form chii?" Apa ndakanzwa
kunyara kuti yanga isisiri generation yokutizira
vamwe varikuchikoro,"kana form 3 hapana
problem" ndakatozoshamisika Kuda ave kutomisa
mota tasvika pagedhi repamba patete."Memo
ndinoda munhu ari serious nechikoro upenyu
kudzidza saka unodzidza urikuno here kana
kuChinhoyi " "ndinoda kuChinhoyi hangu
"handina kuziva kuti munhu aida kundinzwa
"wabva wati Chinhoyi kuti uzonoona ex wako "
kana ndimiwo ndaiti kudii ndakangoramba
ndakanyarara hangu "jokes Memo enda unogara
kure ndokuti upedze chikoro because ndakagara
ndichikuona ummmm hameno" varume there are
just the same hapana arinani shuwa."Thanx Kuda
you are such a friend" ndakaita kunge
ndichamupa hug l was over excited handaifungira
kuti zvinhu zvakadai zvingaitike kwandiri ."Dont
worry babie you deserve more than this
wotogadzirira uende kana mangwana chaiwo l
will take care of everything usanyare kutaura
zvose zvaunoda"Takazoburuka ndokupinda tose
mumba tete nehusband yavo vaivemo .Vanhu
vakakwazisana Kuda ndokutaura nyaya yangu
yokuenda kuchikoro hapana akapikisa sezvo
munhu wese akaona kuti zvaive
nemusoro.Zvaitoreva kuti mangwana
ndaitomukira kuenda kumba ndototanga kuita
zvekuchikoro.Kuda akazooneka ndokuenda tasara
tete vakafara vachirumbidza Mwari weminana
anoita zvishamiso.Asi vairwadziwa kuti ndiri
kuenderei kuChinhoyi dai ndangogara muHarare
pandakavaudza reason yacho vakafa
nokuseka.Ndakatenda tete nemurume wavo
nenguva yavakandichengeta zvose
nokunditsvagira basa ,tete vakazofonera madam
vangu vachivaudza nyaya yanga yavepo
vakaratidza kubatikana nokusiya kwangu basa
asi vakafara kuti ndaive ndava kuenda
kuchikoro.Ndakazofonera mhamha ndichivaudza
nezvekuuya kwangu kumba mangwana vakafara
zvisingaite vakati taizotaura zvakawanda
ndasvika kumba.Makuseni kuchiedza ndakatanga
kugadzirira rwendo rwangu ,7 dzichikwana Kuda
anga atosvika kare asi aitomhanyira kubasa
haana kunyanyogarisa .Akandipa $600 achiti
kana pane zvimwe ndaizofanira kumufonera
.Semunhu aimhanya mhanya akabva atooneka
ndakamuperekedza kusvika pamota akanditarisa
nemaziso akazara nerudo l could see it "Memo
promise me hauzondisiya "mazwi aya aive
nemutsindo "Kuda l promise l will never leave
you wakandiratidza rudo rwakadzama Kuda"apa
ndakanzwa misodzi kuzara mumaziso vangani
varume vane rudo rwakadai pasi pano. "I
Love you Memo trust me l will love you until the
end of the time l will stand by you ,pauchadonha
ndokusimudza pauchachema ndokunyaradza lt
hurts me to say googbye Memo ,safe journey
babie l will always love you." Ndakangoramba
ndakatarisa Kuda achitaura mumaziso chaimo
ndakaona kurevesa kwake kwose "l Love you
Kuda you are my hero" nemashoko aya Kuda
akabva apinda mumota ndokuenda ini ndakasara
ndakangomira kusvika asisaoneki .
1)Memo
achakwanisa here kuchengeta chitsidzo
chaaitirana naKuda
Ngatisanganei pachapter inotevera
END OF CHAPTER 16
[2/27, 14:53] Sex: Life is a journey
Story by: H.Sengi
Chapter 17
Tete
vakarwadziwa nokuenda kwangu veduwe
vakamboedza kuti ndigare asi it was too late
.Ndaive ndazororawo kunetswa nemurume wavo
asi varume vakamboita sei shuwa,inga zvinonzi
muroyi royera kure kuti vepedyo vazokureverera
vamwe ndipo pavanotoda wemumba chaimo .Tete
vakazondiperekedza kusvika pamashops
ndokuzokwira kombi kupinda mutown.12
dzakazosara dzokwana ndatosvika kumba kare
,tave kutotaura dzeHarare namhamha .Sheila
ndakatozoita wekufonera kuti ndaenda akaratidza
kugumbuka nazvo but hapana chandaikwanisa
kuita mutemo kana watonga hapana deal .Mai
vangu aive ma1 chaiwo vaida kunatsonzwa kuti
munhu uyu aive akaita sei uye ndakamuwana sei
uye kupi ?Takaswera tichifara hedu
ndakazofonera Kuda ndichimuudza kuti
ndafamba bo ndatove kumba ,Kuda aive nemoyo
wake oga ndaingonamata kuna Mwari kuti
aropafadzwe nokuti moyo waaive nawo waive
wakanyanya kunakisa.Baba vakazouya vachibva
kubasa ndakafara ndichiona baba vangu
,murume aive nerudo nemhuri yake vaiedza
napose pavaigona kuti tidye tichiguta vaisawana
mari yakawanda asi taive mhuri ine mufaro
.Baba vakaita kunge vachandisimudza chaiko
nokuti mufaro wacho waive wakawandisa
,takazokwazisana ndichibva ndazovaudza nyaya
yose yaivepo .Baba vakangoti wave munhu
mukuru unoziva zvakanaka nezvakaipa pauri
,baba vaisataura zvakawanda vaingotaura
zvishoma vanenge vapedza .But baba vangu
utano hwavo hwaive husina kundifadza vaive
vaonda vachiratidza kunge vanorwara
,ndakashinga kubvunza "baba asi makamborwara
here ?" vakabva vatarisana namhamha kuratidza
kuti paive nezviripo chete."Mèmo mwanangu
handingati ndiri kurwara asi muviri wangu
wakangoneta kana kuenda kubasa kungoenda
ndodii ndakagara tinodyei ."Moyo wangu
wakarwadza ndichinzwa mashoko akaoma kudai
,ndakademba kuti dai ndisina kutamba nechikoro
ndiri mumwe munhu ndichishandira vabereki
vangu.Ndakanzwa musoro wangu kupisa kushaya
zvokuita ndakazobuda ndave kunobika
nevanin'ina vangu,ndipo pandakaudzwa zvose
kuti baba havarare husiku vanenge vachigomera
nekurwadziwa havana kuda kukuudzai
chokwadi.Ndakangopedza kudya nokurara
ndakasiya vamwe vose
vachitandara,ndakasendera Kuda mesage asi
airatidza kuti anga abva paapp na2 masikati
.Murume uyu aitonetsa kuwana pafoni
aitozowanikwa husiku abva kubasa apa ndaida
kutaura naye ndanga ndatomusuwa kare .Dai
ndakaziva hatungamire dai ndisina kuuya hangu
kuno ndaramba ndiri kuHarare ndichigara
ndichiona Kuda .Ndakabva ndangobatwa nehope
ndokurara asi ndaive neshungu dzokutaura
nasweetie honey wangu but aive asingabatike
pafoni.Na 2am ndipo pandakazonzwa foni yave
kuringer "hello Kuda" ndakabva ndanzwa hope
kupera "babie urisei hako l miss you ndichakuona
rini " "l miss you too Kuda kwanga kurisei
kubasa" apa ndanga ndave kunzwisisa
mashandiro aKuda hameno kana ainyepa
."Ndichiri kubasa izvozvi nhasi handifunge kuti
ndinoenda kumba pakaipa " saka life
yandaizorarama nemurume aigara ari buzy
nebasa yaive yakazoita sei? " saka uchatorara
kubasa inga zvakaoma unozonyanya kushaya
nguva yekuzorora kushanda hako but kwako kuri
too much " "saka ndodii Memo ndorega
hangu basa here ? ndozodyei zvino?"
"Kkkkkk God will provide " "ndichatoita
saizvozvo ko ex wako hauna kumuona
here?"Nyaya iya yaive yatanga zvakare "Kuda
shanje dzinokupedza mafuta ndazviona kkkkk"
"handina shanje Memo but what is mine is mine"
"handidaro Kuda usatye hako lm yours and lm
waiting for the day randichati YES I DO
kkkkk."Takataura kusvika nzeve yave kurwadza
ndipo pandakazonzwa baba vave kugomera vari
mudining ndakasiririswa ndichiona murume
mukuru achiyuwira kunge mwana mudiki
ndakagara paside navo ,apa mhamha vakabata
shaya kushaya pekutangira."Nhai mhamha
zvakatanga rini ,makamboenda navo here
kuhospital asi imi mandivanza ndagara
ndazviona kuti baba varikurwara". Vose
vakaramba vakanditarisa nokuti vakazviona kuti
ndaitaura chokwadi "vave nemazuva asi ndaitya
kuti ungazove worried zvakanyanya ,kuhospital
takaenda asi matest avari kuda kuitwa anoda
mari yakawandisa and mamwe acho anoda
kuHarare chaiko saja pekutangira hapana."Asi
mhamha zvimwe zvacho zvaizonyanya kutadza
kana kutaura"saka mafunga kungoramba
muchigara nemunhu ari kurwara kudai
zvinosvika kupi apa varikuramba vachienda
kubasa" "vane matablets avari kunwa saka
zvanga zvamnboita nani 3 days dzadarika "
ndakabatikana ndakangosimuka ndokupinda
muspare ndokutanga kuchema nhamo yangu
yaizopera zvaita sei nhai Mwari ?ko asi ndaive
ndakasikirwa kutambudzika here?
Ndakatozomira kuchema ndichida kuverenga
mesage yaive yapinda mufoni mangu yaive yabva
kunaKuda apa dzanga dzave past4 "Memo
mangwana enda unotsvaga nzvimbo one thing
kana wave kuenda kuchikoro nomore watsup
unozofoira kana kundifunga wozotanga wapedza
chikoro." Ndakambonzwa shungu dzangu
kuserera "l dont think mangwana ndoenda
kuchikoro nokuti baba vangu is not feeling well
mhamha havana kumbondiudzawo wena"
"very sorry varikunzwei "ndakaudza Kuda zvose
akaratidza kubatikanawo "saka ndodii Memo
sezvo mamwe matest acho achida kuno kuHarare
l will make a plan baba varapwe kana iri mari
tinotsvaga imwe dont worry baba vanopora
ndichakuudza kuti ndodii makuseni"Apa
ndakambonzwa kuzorora ndokudzokera mudining
maive nevamwe ,kunze kwakasvika pakuchena
takagara takangotarisa baba vachiyuwira
kudaro.Kuda akatozofona kwave kuma6 kuti
aizouya toona zvokuita nekurwara kwababa musi
uyu vakabva vanyanya zvokuti kana kubasa
chaiko havana kukwanisa kuenda.Kuda
taizosangana naye kuhospital ,takagadzirira kuti
tinobata 8 paitanga kurapwa vanhu .Ndakatsvaga
taxi yaizotisvitsa kuchipatara ko ndaigotyei mari
ndaive nayo ,ndakangoti tichisvika pahospital
Kuda achibva asvikawo ndakatoshaya kuti aive
afamba sei .Kungoti handaimutyira nokuti
kufamba nemota chaiko aive shasha ,akasvika
ndokukwazisana vana mhamha apa aiita kunyara
iii panga paita zvemukwasha apa kkkkk ini
ndaingotarisa hangu my future husband kana
Dean aisakwana apa."Baba na mhamha ava
vanonzi Dr Muza from Harare " ndakabva
ndatarisa honey wangu "Dr ava ndivo vabereki
vangu " vanhu vose vakaoma nokuseka
neintrduction chete .Takazopinda muhospital
hazvina kunetsa nokuti Kuda aizivana
nemadoctors akawanda .Baba vakabva vaitwa
staff nokuti Kuda akangoti nditezvara vangu
kana matests ose ainzi Harare vakangozoitwa
ipapo.Zvose zvapera takanzi timirire maresults
aizobuda na2 masikati ,mkwasha akaoneka ave
kudzokera kuHarare aigara ari parun nguva
zhinji .Baba vakatenda zvisingaite nerudo rwaive
naKuda vakangoti Mwari wenyasha afambe nemi
chiremba.Kuzoti amai handingataure kutaurirwa
hunyimwa sembare
dzekumusana,ndakaperekedza Kuda ndichisiya
vanababa namhamha vakagara muhospital.Kuda
akandiudza mashoko ekundisimbisa pakurwara
kwaiita baba akazondiudza kuti vanga vachiitwa
matest ecancer zvaifungidzirwa kuti vanogona
kuve nelung cancer saka aiti taifanira
kugamuchira zvose zvinenge zvabuda votopinda
patreatment."Ndichamira newe zvakanaka
nyangwe zvakaipa Memo usatye kundiudza
anything zvandinogona ndinoita zvandisingagone
handigonewo "apa ndakambonzwa kusimba
nemashoko aya,ko dai asipo ndaiita sei ?"Kuda
handizive kuti ndokutenda neni dai wanga usipo
hameno ndaiita sei you are more than a friend
"apa ndakangoerekana misodzi yave kubuda
sometimes zvinhu zvacho zvinorwadzira
mukati,unosvika pakubvunza kuti why why
me??.Kuda akangovhura mota yake ndokutora
tissue ndokundipa kuti ndipukute misodzi ,"Memo
kana wave kuchema kudai unondirwadzisa moyo
wangu unoda kuti ndiite sei ? I try my best wani"
"dzimwe nguva life is not fair kwandi ri ri ndoi i
ita sei?"Kuda akatoona kuti apa zvanga zvisisina
kumira mushe akangovhura door remota kuti
ndipinde ndokubva tamboenda mutown ."Babie
munhu wauri kuomesera ndini ndaedza wani
kukufadza izvozvi ndanga ndichifanira kuva
pabasa asi ndazvipira hangu kuuya kuno LOVE
IS ALL ABOUT SACRIFICES ." "Kuda l
heard you but we are talking about my father
here?" "1 thing babie kurwara hakusi kufa
change of subject."Ndakazopinda maOk
ndokutanga kuita shopping yedu yetuma nice nice
waingoti wakati zvakwana waitoudzwa kuti mari
yacho ndeyako here yauri kuitira budget .Kuda
aitove neslogan yokuti "mari yakapera
ndinotsvaga imwe".Ndakazodzokera kuhospital
Bp yaseredzwa nevanogona ,akangozondisiya
pagate repahospital "Memo ndave kuenda kuti
ndionekwe natezvara futi ummmm vanozoti
wanga uchiitei nemwana wedu kkkk"akangovhura
dashboard yake maive makaita kuzara mazimari
akangotora asina kuverenga ndokundipa ,ndave
kuburuka ndakangonzi "beware naex wako
ndinouraya munhu".Apa aitove serious "Kuda
handidaro ini saka wakudzokera uchindisiya
ndega" ndanga ndakungoda kugara ndichimuona
ñdaingonzwa kuitirwa zvakanaka ndiri paside
pake ."Memo dont start urikuziva here lm driving
so handidi kuve stressed kana uchida kuenda neni
hande hapana problem"Kuda anenge aive mugay
chete munhu asingambokisawo musikana apa
ndaitaurira kuti ega afungewo ,mari chii munhu
asingaratidzewo kuti anondida ."Chirega ndiende
Kuda famba bo tozotaura pafoni l Love you "
"l love you too babie baba ngavatengerwe zvose
zvavanoda kana ari madrugs siya kwandiri"
ndizvo zvaigona chete ndakabva ndaburuka
neparcel yangu ,iye achibva aendawo
.Ndakasvikowana vanamhamha vachiri vakagara
ko 2 dzanga dzisati dzakwana ,ndakavapa parcel
yaive yabva kumkwasha wavo ndokudya havo
.Maresults ababa akazobuda vakanzi vaive
nelung cancer and vaive vanonoka saka yaive
yatovadya zvakanyanya saka paitodiwa $3500
kuti vaitwe operation yacho very fast uye
paizodiwa drug raiita $4000 after operation
.Takatarisana tose chiremba achitaura shura
rakadai . 1)Vachaiwana kupi
mari yakawanda kudai? Ngatisanganei
muchapter inotevera END OF
CHAPTER 17
[2/27, 14:53] Sex: Life is a journey
Story by :H. Sengi
Chapter 18

Kuda paakabva kuChinhoyi akangonanga kumba


kwake kuAvondale aida kumbozorora semunhu
aive arara ari pabasa saka aida kumborara
zvishoma.Paakatarisa nguva dzanga dzave 2pm
achitosvika pamba pake.Akasvikovhurirwa gate
naTom aive gardenboy wake ,Rose ndiye aiita
basa remumba uyezve aive muzukuru wake.Kuda
paakasvika airatidza kuti aive akaneta aive
asingadi zvekutaura zvakawanda
vakangokwazisana naRose ndokupinda
mubedroom make ndokurara.Kuda
akatozomutswa nefoni yaive yabva kuna Charity
musikana waaidanana naye aigara
kuChitungwiza ,"hello Charity urisei " musikana
akabva aita kutaura achipopota "usabvunze kuti
ndirisei wakapedzisira kundiona rinhi Kuda
usadaro nhasi ndatobva kumba kwako asi
haugare pasi urikumboita nezvei?" "Hapana
hangu l miss you honey saka apa urikipi?"
Varume vanonyepa veduwe apa arikubva
kunoona Memo "usanyepa hako kuti wandisuwa
kwandinogara haukuzive here ,ndanga ndafona
ndichida kunzwa nyaya yekuenda kuGweru
kunoona sisi vangu tichiri kuenda
here?"Mukomana akambotsenga muromo
kushaya mhinduro."Charity apa pane zvirikuitika
asi ndokuudza kana ndaita mukana dont worry
tinoenda " "usarega nokuti ndakatovaudza
wena vakatotimirira l Love you honey " "l love
you too babie saka uchauya kuno rini?"
"Ndinouya mangwana hanti unenge uripo here?"
"Mangwana ndinenge ndiripo hapana kwandiri
kuenda kana pane zvinenge zviripo l will let you
know "foni yakabva yakata Kuda akabva
atotanga kutogadzirira zvokuenda kubasa .Asi
asati abuda akabva afonera Memo kuti anzwe
maresults ababa ,"hello Kuda wafamba bo here?"
"Ndafamba bo apa ndave kutoenda kubasa ko
maresults ababa howfa." "Baba vanzi vane
lung cancer " Kuda akaratidza kutya chaiko
"Memo wati baba vane Lung cancer saka pakaipa
saka vazonzii?" "Chiremba ati kuri kudiwa
$3500 yeoperation ne$4000 yedrug apa pakaoma
Kuda " ndakaona kuoma kweupenyu since l was
born ndaive ndisati ndambosangana nazvo ndiko
here kukura kwacho nhai Mwari."Babie pakaipa
asi l will try kuti baba varapwe mari inotsvagwa
imwe ndichaedza nepose pandinogona kuti
operation iyoyo iitwe very fast saka apa
muripi?"Tave kumba asi tiri pama1 chaipo baba
varikutoramba kudya vose namhamha dai uripo
uchindibatsira kutakura mutoro uyu ,kana
kuchikoro rega ndirege kuenda mari yacho
yowedzera kuhospital" ndaingonzwa kuti munhu
unombopererwa asi ndaiti kunyepa nhasi
ndazozvionera."Sweetie you worry too much
kuchikoro urikuenda ,baba kuchipatara
varikuenda l promise you ". Kuda was too much
akazoti aida kutaura nababa achingosimbisa kuti
vaizoita zvakanaka .Ndakaona baba vave
kuratidzawo mufaro kuti Mwari vatinzwa
kuchema kwedu,ko dai asiri Kuda taiita sei
hapana kwataitarisira kuwana mari yakawandisa
kudaro.Kuda akangoti achipedza kutaura
naMemo wake ndokutobuda mubedroom
achienda kukitchen kunotsvaga chokudya kuti
achienda kubasa .Akabva angoti achingopedza
kudya mai vake vachisvikawo ,"kwakanaka here
mama kubva mauya musina kana kufona "
"eye kwakanaka ndauya kuzoona mwana wangu
mangwiro asingade zvekuroora anoda kuita
senior bachelor kusvika afa." Sometimes vanhu
havanzwisise kuti ndaive ndakarwadziswa
nemukadzi wangu wekutanga saka dzimwe nguva
ndaitoona kuti kufa ndiri single was beta than
kufa neBp ndanga ndave kuona kunge vakadzi
vakafanana ,Charity ndaive ndadanana naye 5
years but ndaitozeza kumuroora ko akaita the
same ndaizoita sei? "Mama matanga zvino
ndicharoora hangu handisati ndamuwana
wekuroora" waibva wavadenha "ko Charity
akaipei anoshoreka here mwana
wevanhu,akadzidza sewe unozodei?" Mama
havaigona kunzwisisa Charity aive akanaka
akadzidza asi aive asiri a housewife material
munhu asina basa remumba raanogona kana
kubika porridge zvaro .Vana Charity vaive
vekufara navo tichidya mari chete kwete zvekuisa
mumba."Ko inga ndiri kuda kutoroora wani
Charity very soon munenge mave nemuzukuru
mave kunzi gogo"mai Muza vakabva vasimuka
pasofa pavaive vakagara ndokutanga
kupururudza vachitamba kuratidza kufara."Apa
wandifadza ungayadze kuronga upenyu hwako
nokuda kwenzenza yakatozviendera zvayo ,asi
ndakagara ndakuudza kuti munhu wauri kuda
kutora uyu inenge nzenza wakati ndinopenga
wakaona mukuru ataura anenge aona."Mai vake
vaiti kana vatanga vataura havanyarare "Kuda
mwanangu zvawaronga kuroora wagona mari
inonakidza kudya nemukadzi unofa ukashaya
anodya nhaka yako"Kuda akatozobuda
pamwechete namai vake vave kutoendawo kumba
kwavo.KuChinhoyi Dean zvaakangonzwa kuti
Memo akadzoka aive asisabvi kumaraini kwana
Memo achitaimira mukadzi wake.Asi Memo
akaramba akatsika madziro kuti zvaive
zvakatodarika mazuva ekutanga Dean
aimbofunga kuti kutamba Memo achadzora moyo
asi akatozoona kuti hapana chembwa tenzi
vararira mutakura.Ndakazotanga kuenda
kuchikoro chiri mutown ukuwo baba vaimbonwa
matablets avaive vapihwa kuhospital vachimirira
kuti mari ikwane.Kuda aive mutumwa aive
akatumwa naMwari chokwadi ,vanhu vemuraini
vaitoshaya kuti zvaombofamba sei muupenyu
hwedu.Kuda akazoti ndiuye kuHarare kuzotora
mari yababa yekuhospital .Kana pandakataura
vanhu waingove muromo mumwe nokuti enda
,ndakazoenda iri Sunday makuseni sezvo ndaida
kuzodzoka same day tete vakatomboti ndiuye
ndirare kuDz asi ndakatovati handikwanise.Kuda
akabva andipa madirections ekumba kwake
kuAvondale ,asi aiti kana ndasvika pacomplex
yepaAvondale ndozofona ouya kuzonditora.Musi
uyu hameno kuti chii chakaitika ndakanganwa
foni patable kumba ndakatozozviona ndatove
muBanket .Ndakatombofunga kuti ndidzokere
kumba ndinotora foni asi ndakangoti regai
ndiende ndozozviona ndasvika
,ndakasvikoburukira pacomplex paya ndokutanga
kufunga madirections aya andaive
ndapihwa.Handina kunyanya kurasika semunhu
aive akangwarira handina kunyanyonetseka
hangu,ndakakasvika pandaifungira kuti ndipo
sekuudzwa kwandaive ndaita.Ndakarova gate
nguva diki kwakabva kwabuda mumwe
mukomana murefu mutsvuku airatidza kuti ndiye
aive gardenboy wepamba apa.Ndakabva
ndamubvunza kuti ndipo here pamba paDr Muza
,akadaira kuti paive paripo .Ndakafara veduwe
ndaitya hangu kurasika ,yakabva yatanga kunaya
mibvunzo "ndimi ani?" Ndakamboda kurasa
muromo nokufarisa kuti ndaive musikana wavo
asi mumwe wakazongonditi Memo pfavira ngoma
usiku urefu ."Ndinonzi Sekai ndakanzwa kuti
varikuda munhu anoshanda kusurgery kwavo
saka ndavashaya ndati ndiuye kuzovatarisa
kumba." Kana chaive chandipa kunyepa
handichizive kana kuti ndaizviitirei hameno,"ivo
chiremba havapo vabuda asi madam ndovaripo
chete."Ndakanzwa mudumbu mangu kurwadza
ndakashaya kana chokutaura ndakangoti kanha
nazvo zvaraive shura kudyirwa mumba nembwa
sendakarima nyama ,mukomana uya akabva
azviona "ko kwakanaka here sisi?" Ndakatoita
zvokuvhundutswa nemubvunzo uyu "mati ndipo
panogara Dr Muza here?"ndakangoerekana
ndabvunza mukomana uya."Ko nhai sisi madii
maita zvekufona ini ndakuudzai wani."Mukomana
uya anga ave kuratidza kusvotwa neni
ndakazongoti regai ndipinde ndivamirire hangu
,apa ndanga ndisisiri munhu ko iye Kuda aigoti
ndiuye kumba kune mukadzi sei? Nhamo haibve
pane imwe ndanga ndati baba varapwe zvino
ndodii regai ndingomira kusvika auya
,ndakazviudza kuti hapana chandinotura
zvandavinga ndozviziva zvakawanda handinei
nazvo .Ndakapinda mumba ndokuona maphotos
aKuda kumadziro ndakabva ndagutsikana kuti
handina kurasika ,asi emukadzi paive pasina
aingove ega zvimwe ndezvemeso muromo
nyarara Memo.Musikana aive mukitchen akauya
ndokundimhoresa akabva ati arikuenda
kunoshevedza madam vaive kubedroom
kwavo.Ndipo pandakawana mukana wokutarisisa
mumba umu sofa raivemo chete raiita kutyisa
kugara nekunaka kwaro .Imba yaive yakakura
veduwe maive murismart kuratidza kuti maive
musina mwana mudiki aisvibisa mumba
umu.Musikana uya akazouya akatungamidzana
namadam vaye ,takakwazisana ndokuvaudza
zvandaive ndamboudza mukomana wandakaona
pagate .Mai vaivhaira ava vaitoita kunge
varikusemeswa neni ndakatombozvitarisa kuti
pamwe ndakasviba asi ndakangoona kuti ndaive
ndakangochenawo wani.Ndakabva ndatoudzwa
kuti basa haritsvagirwe kumba munoonana
kusurgery saka ndakatonzi ndimirire chiremba
vacho pagate vanga vave kutouya .Ndakasimuka
kuti ndibude hangu ndakabva ndaudzwa makobvu
chaiwo"sisi ngaive first and last time yangu
kukuonai muchiuya kuzotsvaga murume wangu
pano hapana surgery kana basa racho hauriwani
une hutsi kutouya kumba kwangu ko dai ndisipo
chii chaiitika". Ndakangobuda ndakanyarara
ndokunomira pagate paya wenhamo wodii kana
ndakaramwa kuti ndiende baba vaizoita sei?
1)Memo achaita sei?
2)ko Kuda achaita sei?
Ngatisanganei
muchapter inotevera END OF
CHAPTER 18
[2/27, 14:53] Sex: Life is a journey
Story by :H.Sengi
Chapter 19

Ndakasvikomira pagate Kuda kana kuuya


ndakamboti ndiende kunokwira kombi ndidzokere
kuChinhoyi ,asi ndinenge ndaitei nhaimi.Asi kuti
mukadzi uya vaive vakaroorana naye here,kana
kuti aive achiri musikana wake chete.Ko
ndogotyei kuroorwa ilucky rako munhu dai
asingandide haaimboita zvese izvi munhu
anozvipira kukupa mari yakawanda kudai .lni
nyangwe asingandide achindiita push time but
mari arikundipa hake,kuchikoro ndiri kuenda
fashion ndave kungopfeka l dont care.Dean
chaiye wandaiti murume wangu akandirasisa
wani ko kuzoti mukomana hake.Kugona mbavha
kuirongera ini handimboratidze kunge
ndabatikana nezvaitika pamwe anozogona
kundinyima mari yandavinga nokuti
paunotsamwa unotaura zvose zvose saka ini
ndirikungoda kuti zvangu zviite chete
.Ndakaronga tsoro yese yakabuda bhobho,kana
vaindiona ndichingotenderera pagate apa
semudzimu washaya ngoma.Patopera 1hr Kuda
ndipo paakasvikawo pagate paya,ndakaona kuti
murume mukuru apererwa semuenzi apedza
muriwo asina kuguta.Ndakaona rume raisa
musoro pastiring kubuda mumota make
zvakamutorera nguva refu ,ini ndakangoramba
ndakatarisa hangu drama remahara iri.Pave
paye ndipo paakazoburuka kuuya pandaive
ndakamira akasvikomira akanditarisa mumaziso
chaimo ,"Memo wauya nguvai ,ko wasirei foni
kumba ,zvauri kufunga hazvisi Memo".Munhu
kana abatwaso pakaipa "Ndatove ne 2hrs ndauya
,foni ndaikanganwa kumba,hapana
zvandirikufunga ini" Kuda ndaimuda pachokwadi
zvokuti nyangwe mukadzi uya aive kumba kwake
ari wake ndaienda hangu pabarika
ndaizomuwana kupi mumwe anenge Kuda .Ko
ndaigodii we are living in the world of
competition aitove makwikwi chaiwo,"honey pliz
forgive me l Love you Memo handidi kukuona
wakatsamwa ummm unondirwadzisa moyo
wangu"Kuda aitoona kunge ndakatsamwa saka
zvichireva kuti aive afonerwa nemukadzi
wake."Kuda zvaitika zvatoitika zvadarika
takapindana nezvinodarika apa iwe waingofanira
kundiudza chokwadi sezvachiri " ndakazomùudza
zvese zvaive zvaitika iye asipo iye
ndokundiudzawo relationship yake naCharity
ndokungopera zvakadaro.Akatoshamiswa kuti sei
ndisina kutsamwa nezvaive zvaitika iye haana
kuziva kuti munhu kana usina chako urimuranda
chaiye unoita zvimwe zvisingaite but panenge
pasina option .Kana uchida chinhu chemunhu
unotonyepedzera kudzungairaka,"Honey thanx
nokunzwisisa ndosaka ndichikuda zvimwe zvinhu
zvinongowanika mulife l promise handife
ndakazviita futi" ndakamunyararidza kuti
asataure zvimwe ndaive ndanzwa nako
kunyeperwa uku nevarume ava.Akazoti ave
kuenda kunotora mari yacho ini ndakasara ndiri
kunze kwegate hazvaiita kuti ndipinde paizoita
noise .Apa aive atofara kuti akazviwanira munhu
akadzungaira asingazive kuti aiwa inyaya
yenhamo kwete kudzungaira.Haana kunonoka
kudzoka ,akabva angouya ndokubva tapinda
mumota ndokutoenda.Maplans ose andaive nawo
semunhu aive achisvika pamba pemfesi for the
first time akaenda musango."Honey handizive
zvauri kufunga the best way ndichanokusiya
kumba kuChinhoyi ndozodzoka hangu uri kuita as
if everything is ok but ndinokuziva handina
kutanga kukuona nhasi" Ndakaseka hangu
"kkkkk ko maiguru mavaudza here kuti muri
kusvika kumba kwedu" apa ndaitoda kunzwa
hangu ."lnga tamboti zvapera wani Memo
ngatitaure dzimwe nyaya",saka aive asingadi
kuzvinzwa chokwadi.Takatanga kutaura hedu
nyaya tichiseka ,baba ava dai vaiziva kuti
ndaivada sei ndaitonyarawo nazvo .Kana Dean
wandaiti first love aisasvika apa pamwe
vachangondirambawo ndatadza kuita zvakare
,hameno Mwari.Ndaiti ndakangofunga kudai
mufaro wese waibva wapera ndaizomufadza nei
Kuda uyu nezvose zvaarikundiitira izvi.Tapinda
muChinhoyi takabva tangonanga kuWhiteCity
kumba kwedu..Takasvikowana vanhu vakagara
havo mudining vachitandara ,Kuda akambosara
akagara panze achinyara kupinda mumba
semukwasha uyezve yaive first time kusvika
pamba pedu saka aitove muenzi
chaiye.Akazopinda ndokukwazisana nevanhu
vaive mumba ,akazofara kuona anamainini vake
vaaigara achingobvunza.Vanhu vose vekumba
kwedu vaimufarira vachingoti munhu ane moyo
wakanaka,ndakasiya achitandara ini ndokutanga
kuita zvokubika ndaingoda kuti aone kuti ndiri
mukadzi chaiye .Sadza rinongodiwa nyangwe
makadya zvinonaka sei sadza rakakosha tiri
vanhu vatema takarerwa nesadza.Takapedza
kudya ndokumbotandara takagara muspare
mangu Kuda aingonyara nyara ndaitoiziva nyaya
yacho ."Honey ini ndave kuziva kumba kwenyu
kwasara iwe kuzivawo kumba kwedu unotii
nazvo" ko paive pakaipei."Hapana hurry
yokuenda kunoona kumba kwenyu hanti tine 2yrs
kumberi here uchimirira kuti ndipedze chikoro "
"ummmm l dont think so Memo kana gore rino
hariperi ndakatopihwa zita namama hanzi
Mangwiro asingadi kuroora zvakaoma zvirinani
usiye hako chikoro chacho honey"takaseka tose
saka murume uyu atoda kundiroora
nhai."Chikoro handisiye zvekumhanya unonyepa
ndakatodzidza zvakawanda kare"Kuda
akatozoenda kwatodoka takave nezuva rakanaka
chaizvo akazosiya apa baba mari yekuhospital
.Akavaudza kuti musi wavaizoitwa operation iyi
iye anenge aripo .Kuda moyo wake waive
wakanokisa zvisingaite ,but iyo mari iyi
aimboiwana kupi ndakabvuma kuti pasi pano
pane vanhu vane mari
dzavo.Ndakazomuperekedza kusvika pamota
takambomira hedu tichimboonekana apa kunze
kwaive kwatodoka tisina kumbozviona hedu
.Moyo wangu wairwadza kuti ndione sweetie
wangu achienda ini ndichisara ndaive ndisina
hako zvekuita.Kuda akangondipa kiss yepadama
ndokupinda mumota ave kuda kuenda ,ndakabva
ndamira pamberi pemota kuti
asapinde.Ndaitofunga kuti airara ozoenda
mangwana ,iye akatoshamiswa ndokuburuka
ndokuuya pandaive ndakamira .Kutaura
chokwadi shanje chaidzo ndidzo dzanga
ndandikurira ,kuti saka aitonoona mukadzi uya
ini ndichisara kuno ndega.Akauya ndokundibata
shoulder "Honey zvawaita zvinorevei urikuda kuti
ndiite ngozi ndakutsika here ?"ndakatoramba
ndakanyarara iye aive munhu mukuru aifanira
kuonawo zvandaida,kuti ndimuudze ndaibva
ndazoita kunge highway chaiyo."Memo ndati
problem yako ndeyei tarisa pane nguva kuzoona
ndasvika Harare" hameno kuti ndaive ndapindwa
nei shuwa ndakatozvishayawo"urikumhanyira
kunoona mukadzi wako urikutya kutukwa
nhai".Apa shasha yakambotura befu nyaya yaive
yakora muto"Memo handina mukadzi ini inga
ndambokuudza wani kana uchiti ndiri kunyepa
unozouya woona kuti ndinogara nani" ndakabva
ndaramba ndakatsika madziro "kana uchiti hauna
mukadzi handei tose" since ndakamuziva aive
asati amboseka sezvaakaita musi uyu "kkkkk saka
ndipo pane nyaya yako enda unoudza baba tiende
izvozvi ndozvandanga ndichitodawo".
Ndakatombopindwa nepfungwa yokuda kuenda
naye apa ndaitorevesa "Kuda are you serious kuti
tiende" "Memo hande nguva dzapera
ndinokuda asi iwe hauzvione chete". Kutaura
chokwadi apa zvaisaita kuti ndiende naye "ndiri
kutamba hangu Kuda enda hako asi ummmm dai
wango....." ndakatadza kupedza nekunyara
kutaura zvandaida.lye akabva aziva zvandaida
kutaura "next time pandiri kuuya ndinorara
Memo usatye hako".Ndakabva ndapihwa hug
ndokuenda hako achingondisiya
ndakadaro.Ndakadzokera mumba ndokuona
vanhu vatoenda kunorara ndakangosvika
ndokupinda muspare mangu
ndokurara.Ndakatozomutswa nemasage yaibva
kuna Kuda "Memo apa urikuitei asi unofunga kuti
ndairamba kuuya newe usazvinyepera hako asi
unondiona semukadzi here?" "Iwe
wanditukisa nemukadzi wako manje ndizvo
zvandave kukudira izvozvo dai warara kuno
anatsorwadziwa ane dzungu chaizvo"
"wanga wandishamisa kuti hauna shanje ndiwe
mukadzi wekutanga wandanga ndaona wanga
wandityisa ,iwe ndiwe mukadzi wandirikuda
kuroora kwete zvanaCharity izvo vanozviti
vakadzidza hativagone" "usade kundinzwa
imi muchiwirirana rega ndirare mangwana ndiri
kuenda kuchikoro" "madii kugara marega
kuzvinetsa nekutanga zvamusingazopedzi amai
handina kuona wapedza chikoro chacho
,wakuenda uchitondijairira urikuona kunge
ndinopfeka dress wait and see kkkkk" "kkkkkk
chirara wave nehope tozotaura mangwana "
Love you mai Muza good night" Ndakabva
ndangobatwa nehope nyaya dzerudo dzinopera
here nyangwe wakaswera pafoni hadzipere.Baba
vakazopihwa date reoperation mukwasha
sekuvimbisa kwaaive aita akati aizouya.
Ngatisanganei munext chapter
END OF CHAPTER 19
[2/27, 14:53] Sex: Life is a journey
Story by:H.Sengi
Chapter 20
Mama vaitombondityira kuti pamwe
ndichadzokera kuna Dean asi vakatozoona kuti
anga ava history mulife yangu .Panga pave
nemumwe aive amureplacer zvokuti kana nguva
yekufunga nezvakadarika panga
pasina.Kuchikoro ndaienda ndanga ndave
kuverenga zvandisina kumbobvira ndakaita
paupenyu hwangu ndichiri kuenda kuchikoro
ndanga ndakunatsoziva mamiriro eupenyu ,kwete
pakutanga ndaifunga kuti life is easy like eating
sadza manje Dean akandiratidza kuti
zvandaifunga ndaive ndakarasika.Chinonzi
upenyu kukwanisa kuzvimirira iwe
sedungamunhu kwete kumirirwa nemumwe
munhu,Kuda was right kuti ndidzidze hupenyu
hauzivikanwe mangwana.Ndine nyaya yangu
inogara ichindinetsa nguva dzose saka pane
murume achazondidawo here ini ndisina mwana
,hanti vanhu vanoti imba inosimbiswa nemwana
ko ndoitawo sei ? Ndakatozovhundutswa
naMercy akapinda muspare mandaive
ndakarara."Sisi muchiri makarara asi hamusi
kuenda kuchikoro here nhasi? Ndakashamiswa
kuti nguva dzanga dzatove 6:45 apa ndichiri
ndakarara,"waita basa Mercy ko Monday yagara
inonetsa kumuka uye nezuro ndakarara late
ndichiverenga Science nhasi tine test kuve mwana
wechikoro kwakaoma." "Motoverenga kuti
mupase ko babmkuru varibo here",mwana wamai
vangu uyu aida nyaya veduwe."Varibo angaitwe
nei hake ,iwe Mercy chirega ndigeze ndiende
nguva dzapera "ndakabuda ndave kumhanya
kunogeza.Musi uyu kana baba handina kuona
kuti vamuka sei ndakangozoti ndovaona
ndadzoka .Mazuva akafamba wakave mwedzi
Kuda ndisina kana kumbomuona wakangoti huyai
undione hanzi chimboita zvechikoro sometimes
ndaiona kunge aindibata kumeso ini .Iye aifunga
kuti kundipa mari ndizvo zvese here ,ndaida
kuonawo iye mbune .Kana kuEcocash
yekumaraini kwedu vanga vave kundiziva,but
zvose izvi zvaive zvisina maturo kwandiri .Kumba
kwedu taive tisisadyi zvinovava tanga tave kudya
zvatinoda nguva yatinoda .Rimwe zuva taingove
tiri vaviri namama tichitandara hedu "Memo
mwanangu ndine nyaya iri kundishaisa hope
",vanga vatanga mai vangu asi hana yangu
yakatorova kuti yaive nyaya yei."Inyaya ipi yabva
yakushaisai hope nhai mama", ndakaona mukadzi
mukuru aita kubata shaya ndakaziva kuti pane
nhau."Ko iye Kuda wakamuudza here nyaya yako
yese " "eye ndakamuudza " "akati
kudii nenhau yemwana akati anozogona kugara
newe here nyangwe usina mwana". "Eye
mama but l dont trust him varume vanongochinja
chinja serwaivhi wave mumba anenge ave
kunetsera mwana".Mai vangu vakaratidza
kudzamirwa chaiko "pane nyaya Memo
ndaitombotaura natete vako nezvenyaya yacho
vakangopererwawo kushaya kuti todii,tarira mari
yemunhu yatadya pano zvinonyadzisa kuti
woenda wotadza kumufadza zvakare
ndakazvifunga ndinonzwa moyo wangu
kurwadza." Apa pfungwa dzangu dzakambomira
kushanda chaiko "saka ndoita sei semafungiro
enyu ", "ndingafungei asi zvinondirwadzawo
dai waitawo mwana wako hona ini mai vako
ndakarwara unondirapisa ko iwe uchaonekwa
nani".Ndakaona maziso amai vangu azara
misodzi inyaya yairwadza munhu wese haisi
nyore veduwe kungoti zvaramba panenge pasina
yekutamba ndakambozama wani ,ndakaona kuti
mai vangu vaive nebundu mumoyo mavo asi
kuronga ndekwashe isu hatina simba
pazviri.Ndakazongotanga kutaura hedu dzimwe
nyaya asi gogo vaitorwadziwa nekuda
kamuzukuru asi zvaive zvakona n'anga murapwa
achida .Zuva rokuti baba vachinoitwa operation
rakasvika mkwasha sekutaura kwake akabva
auya takazosara topedza kugadzirira zvose iye
atosvika kare kumba kwedu.Pandakamuona
ndakafara zvakaonekwa nemunhu wose mufaro
hauvanzike unomboedza asi unongobuda chete
pachena.Ndaiita kushaya pokuisa moyo chaipo
kana tea yandakabikira vamwe ini handina
kunwa ndaive ndaguta nekungoona fesi yake
chete,ndakatoona vision ndabereka Kuda Junior
hameno kuti chii chaizoitika zuva iroro dai
vangondirangarirawo nyangwe ne1 zvake.Vanhu
vose vaive mumba umu dai vaiziva zvandaifunga
vaindiendesa kuward yemapenzi chete nokuti
ndanga ndave kutotanga kupenga
chaiko.Takazobuda toenda kuhospital
taingonamata kuti baba vapore chete
,vagokwanisa kushandira mhuri yavo.Vanatete
vakazouyawo nedzimwe hama dzamama aiwa
vanhu vaingonamata kuti dai operation iyi
yangobudirira.Vanhu vaive vangogara
vakatarisira kunzwa maresults kuti zvaive
zvamira sei ,kwakapera about 3hrs ndipo
patakazoona Kuda ave kuuya achiti baba vaive
vamuka asi vaitombofanirwa kugara muhospital
vachirapwa kusvika vapora .Baba vaive vaiswa
kuPrivate ward semunhu aive mukwasha
chiremba,takanzi taikwanisa kunovaona hedu
nokuona chiremba wavo aizosara achiva
monitor.Munhu wese akafara kuti Mwari vaive
vatigonera kana vari samama vaida murume
wavo pachokwadi vakachema nemufaro
vakatarisa baba.Kuda akazooneka achisiya
vanhu vari muward vachiona baba iye basa rake
aive apedza hake.Vanhu vese vaingoti ava ndivo
vanonzi vakwasha ava waizodei aDean vangu
havana kuziva kuti kukava datya
kuriyambutsa.Takasvikomira pamota yaKuda
,"Memo l made a promise kuti ndaizorara kuno
lm sorry but pabirthday pako tinoenda
kuMazvikadei for 2days pakaipa here?" Murume
uyu aigona kuvhara ma1 apa ndaive
ndatovharwa zvake zvatoita ave kutoenda
ndaigoti kudii navo varume vaive vatibvisa
dzungu rekugrade 0." Akaramba akanditarisa
achifunga kuti ndichaita drama remusi uya
"zvamaronga baba zviri bo asi ummm nguva
yekukuona irikuita shoma wena ." Akabva afa
hake nokuseka very soon unenge wave kundiona
pawadira hanti tinenge tave kugara tose here"
"pakaipa dai ndiri shiri ndaimbopota
ñdichibhururuka ndichiuya hangu kuzokuona
hangu life yekurarama usipo yave kundiomera
baba namai varipo but l need you Kuda."
"Honey l nèed you more iwe unogona kutadza
kuzviona pakatoipa ndinototi dai zvaiità
ndangoenda newe even today lm tired nelife
yeubachelor l need someone to cal my wife but
ndinoda kukutora nemuchato sweetie
".Ndakaramba ndakamutarisa because l coudnt
believe zvaive ataura ,"boss ndimi tongoita
zvamunenge mataura saka birthday tinenge tiri
kuMazvikadei harisi kure 10 May next month
wozondiudza zvimwe ." "Trust me you talk too
much 10 May kuMazvikadei ndakasaende newe l
deserve a red card ndinenge ndisingazive
zvandiri kuita ndotokushaira hope
Memo."Ndakabva ndavhurirwa door kuti
ndipinde mumota yaive garoziva kuti havaendi
vasina kumboita zvidiki diki baba vacho vaive
vasina plaster havo vaipa .Takapinda maTM
ndokutanga kuita shoping yedu ,takazodzokera
kuhospital netaxi baba vekwangu vave kudzokera
kuHarare.Ndakasvikowana vanhu vachiri
muward maive nababa ndakasvioisa majuice avo
nemafruits mulocker yaivemo.Baba vakanditi
ndiuye ndipfugame pamberi pebed yavo pane
zvavaida kutaura neni munhu wese achinzwa
,"Memo mwanangu wakaona warasa munhu
anenge Kuda unofa uchishupika havasi varume
vangani vanozvipira sezvaari kuita izvi
wakamurasisa ziva kuti neni tacheka ukama
unoenda kunotsvaga vamwe baba kwete ini."
Zvababa futi paive nebasa mkwasha angaadiwa
uyu"baba handikunyadzisei sezvandakaita
pakutanga iyezvino ndakadzidza chidzidzo munhu
anomira newe zvakaoma ndiye hama inokuda
kwete anokuda pakufara chete haana basa newe".
"Kana uchiziva kudaro saka wakura pliz pliz
Memo usandizviringidzire mkwasha wangu paari
ndawana mumvuri ,kana nhasi akauya kuti aende
newe handina mari yandinoda roora akabvisa
kare."Vanhu vakaoma nekuseka kukanganwa kuti
vari muhospital,"baba l promise pamberi
pevanhu vose kuti ndichaita sekuda
kwenyu."Ndakazosimuka ndokugara paive
nevamwe makataurwa nyaya dzakawanda tete
mai Makiwa ndivo vaingowanza kuti ndaive
ndavanonokera kundiperekedza kuenda
kuHarare.Asi ndaive ndisati ndazorora ndaive
ndisina nguva refu ndabva kuna Dean uyuwo
murume kana kwaakabva nako hameno ndaida
kumbogara ndisati ndafunga zvekuroorwa futi
.Vanhu vaingondishingisa kuti zviro zviedzwa
chembere yekwaChivi yakabika mabwe yakaseva
muto regai ndizame hauzivi zvinoita Mwari mana
inogona kungodonha kubva
mudenga.Takazoenda kumba ave manheru
chaiwo Kuda aisagona natezvara vake
vaingobvunzwa varisei ,wavasiya varisei
vakakomborerwa vane vakuwasha vanovada
havo.Nyangwe akaita chakaipa hapana
anozvibvuma .Kuda aimboita achiuya achiona
baba kana awana mukana zvaingove zvenguva
diki odzokera ndaitorwadziwa zvaive nani kuti
dai airega kuuya hake.Aigara achiuya
neshamwari yake yainzi ndiye achava best
pamuchato wedu zvaive zvakaoma ,ini Memo
kuchata rega timboona zuva racho .Pamwe
kwaive kuda kundikwidza ndege yemashanga
chete.After 3 weeks baba vakazobudiswa
muhospital aiwa vega vaibvuma kuti zvanga
zvave parinani.Mufaro hwemhuri yedu
wakadzokera panormal Mwari vaive vapindira
.Hatina kuneta pakunyengetera minamato
taingoramba tichienda nayo mberi,hama
neshamwari dzakamira nesu panguva yaive
yakaoma kudai.Kuda aingoramba achindisimbisa
kuti baba vanopora chete ngavarambe vachinwa
mishonga yavo .Mazuva aifamba zvemweya
yetsvina birthday rangu richiswederawo
ndaizokwanisa kuita 2days ndina Kuda
kuMazvikadei ndakatanga kudemba kuti ndaive
ndabvumirei hangu ,munhu wacho ndaimuziva
kuti zvaataura anozadzisa ipapo haanyepi
hapana chakataura akasaita.Ko akazondiona
senzenza ozotadza kundiroora ndaizoita
sei,hameno ko anaDean vakatiwana tiri mavirgin
Mary vakazotiita sei kuti kava sembwa yapinda
mumba vanhu vachidya.Nhasi tiri pano tave
mvana dzisina vana asi nyangwe ndichagara
Dean akandirwadzisa pasi nokudenga tongoti
kuranga ndekwa Mwari.Ndaingogara
ndichifonerwa everyday dont forget Mazvikadei
babbie kunenge kwakaoma shuwa toita zvekuona
mbavha yeBocha .Munhu wandaimboti anenge
mugay anenge haasi,ummmm kkkkk kutaura
kwacho pane zvakunoreva kuti ndakasaenda
newe ndipe red card .Musi wa 10 May wakasvika
ndaifunga kuti zuva iri harisvike pachokwadi
ndaizozadzisa mapromises ose aya andaimupa
nhaimi ndakatanga kufunga zvose izvi
pandakaona mesage yaive pafoni pangu yakanzi
"HAPPY BITRHDAY HONEY ARE YOU READY
FOR DAD IM GOING TO SWALLOW YOU
ALIVE TODAY .I LOVE YOU MY MEMORY !!!"
Ndichitarisa nguva ndirikuona past 4am
ndakatoona kuti paive pakatoipa .Handina
kupindura asi hope dzakabva dzaperawo
ndakutanga kufunga ko ndaigodii ita twake
ndihombarume.Musi uyu yaingove happy happy
chete ,ndakabva ndatoudzwa nedressing code
yacho tichienda kuMazvikadei.Aiti past 10
anenge asvika ,semunhu wandaiziva nokubata
nguva past 8 ndakatotanga kurongedza tunhu
twangu tose kuti ndisazokanganwe zvimwe ,apa
mai ndaive ndakatovabatisa yose problem yavo
zvose zvaiiudzwa baba ndaizonyara manje.Past 9
ndakanzwa foni yangu ichirunger iri kudining
pacharger ndakamhanya ndichifunga kuti pamwe
ndihoney wangu kutoona iUNKWOWN CALLER
"hello unknown caller " izwi racho raive
rechirume "hello madam ,ndimi Memo here?"
munhu uyu aitondinonotsa ndaitove kumashure
nenguva."Yes ndini how may l help you" munhu
uya akambonyarara "madam pano pane nyaya
"hana yangu yakatanga kurova zvino munhu
akabva aenderera mberi."Munoziva munhu
anonzi Dr Muza here?" ko waiva wei mubvunzo
uyu "yes ndovaziva he is my fiancee." "Good
madam nyaya iripano motobata hana yenyu " apa
munhu uyu aimbotaura achinyarara apa ini
ndaive ndanonokerwa mudumbu manga
makubika manhanga zvino."He collapsed kumba
kwake saka ari kufungidzirwa iBp hanti kumba
kwavo munokuziva here,the best motonanga ikoko
izvozvi " ndakanzwa simba kupera
ndakangokwanisa kushevedza mai vaive
mubrdroom mavo kana kwakaenda foni handizivi
."Mama why me today is my birthday we were
suppose kuenda kuMazvikadei naKuda unkwown
caller afona hanzi he collapsed kumba kwake
izvozvi why ,why me Jehovha nditorei hangu
ndibve panyika pano than kuti ndigare
ndichitambura kudai...
1)Memo haasvike Kuda afa here ?
2)ko munhu afonera Memo ndiani?
3)Kana Kuda afa Memo haadzokere kuna Dean
here?
Ngatisanganei munext chapter
END OF CHAPTER 20
[2/27, 14:53] Sex: Life is a journey
Story by H.Sengi
Chapter 21

Mama vakandisiya ndichitaura kusvika neni


ndakanzwa kuti shungu dzangu dzapera .Baba
ndopavakazouya ndokugara pedyo neni vave
kundisimbisa vose namama ,Mwari aive akandipa
vabereki vane rudo .Vaichema neni pandaichema
nyangwe pandaivatadzira vaikurumidza
kuregerera .Vakandiudza mazwi akandisimbisa
ndaifunga kuti pamwe handikwanise kuenda
kuHarare asi vakandipa simba netariro yekuti
Kuda hapana zvaanoita kwaingove kucollpser
chete.Ndakangogeza zviya zvokuti ndingowana
kupinda mukombi chete ,kuwana nguva yokuita
makeup rugare chairo.Hembe ndakangotora
dzandaida kupfeka pandaida kuenda
kuMazvikadei ndokupfeka ,satani aive anditorera
mufaro wangu wose ndakarivara
chokwadi.Ndakati regai ndiedze kufona pafoni
yaKuda ,hana yangu yakarova pandakanzwa
ichitoti not reachable saka aitove serious
ndozviudza ani nhai Mwari.Simba rakambopera
zvakare ndokugara pamubhedha ,mama ndivo
vakatozouya vachida kuona kuti sei ndanonoka
vakatoshama vachiona ndakabata shaya
ndakagara hangu.Vakabva vauya ndokundibata
ruoko kuti ndisimuke ,asi simba ndainzwa
richipera .Mama vaida kuti ndimbonwa cup yetea
asi handifunge kuti ndaizvikwanisa zvinhu zvaive
zvisina kundimirira zvakanaka apa.Ko kumberi
ndaiziva kuti kwakamira sei
here?Ndakangokwanisa kutora 1piece yechingwa
chete ndokuoneka ndokubuda ,ndakaperekedzwa
nababa vose namama kusvika pabus stop .Mai
vakandimbundira vachindisimbisa pakufamba
kwandaizoita kusvika kuHarare vachiti
vaizoramba vachifona vachida kunzwa kuti
ndafamba sei ,ndakabva ndapinda mukombi
kuenda mutown .Munhu uya akabva afona
zvakare achida kunzwa kuti ndave papi
,akazondipa number dzandaifanira kufona kana
ndasvika paAvondale Complex ozouya
kuzonditora .Ko ini kumba kwaKuda ndaikuziva
saka aizoda kunditora sei ? kureva kuti Kuda
anga atova serious nhai.Ndakatozoshamisika kuti
tave mutown apa conductor ari kunditukira kuti
hanzi bhadhara mari yekombi."lmi sisi imi tipei
mari yekombi munoti tingakutakurei mahara here
sei makajaidzwa kudai asi munoti ndinokudai
here ndine mukadzi wangu ini ndozvamajaira
zvekukwira makombi mahara."Ndakangoburitsa
mari yangu ndakanyarara handina kana kudaira
ndaive nezvanguwo .Ndakatanga kutya nokuti
vanhu vanoti shura unogona kutukwa nemunhu
usina zvawamuita ndizvo izvi kuti kuHarare
kwakanaka here asikana.Pandakaburuka handina
kuda kukwira kombi kuenda kuHarare nokuti
yaizondinonotsa kusvika saka ndakatsvaka
private car nokuti ndainzwa kunonokerwa
nokusvika .Ndakademba dai ndine mapapiro
ndaingo enda hangu seshiri,seweekend handina
kunonoka kuwana mota apa nguva dzanga
dzatove past 10 .Driver wemota iyi aifamba
zvisingaite aiita kunge aiziva zvandaaiendera
kuHarare .Nguva pfupi tanga tatosvika muHarare
,ndakangoti ndichisvika paWestgate hana yangu
yakatanga kurova hameno kuti chii chaida kuitika
kwandiri ndakatotadza kunzwisisa .Ndasvika
paAvondale Complex ndakabva ndafonera munhu
uya aive ambondifonera kuti ndasvika
.Ndakamùtsangurira zvandaive ndakapfeka
nepandaive ndakamira ,pasina nguva aive
atosvika .Ndakamboedza kumubvunza kuti zvaive
zvambofamba sei asi aingoti ndaizozviona
ndasvika .Patakapinda pagate ndipo pandakaoma
mate mukanwa wandiro yaive yakaita mota
pamba apa.Ndakatoona kunge vanhu vanga
vatouya parufu rwaKuda kana kuchema
ndakashaya simba.Nguva yese yandaive munzira
mai vaingobvunza kuti zvaive zvakamira sei,saka
ndaivaudza sei kuti Kuda was no more
ndotangira papi.Wakaona uchichema unenge
usati wasangana nenguva yakaoma ndakangoti
kana afa vaitotiviga tose tiri vaviri handifunge
kuti ndaikwanisa kuzorarama iye asipo.Murume
uya akangosvikomisa mota ndokubva taburuka
,pandakati ndipinde padoor remumba
takangoerekana ndasungwa jira kumeso .Ko chii
chaizvo chaida kuitika asi vaida kuti ndiite sei
chaizvo ???Ndichiri kufunga kudaro ndakabva
ndanzwa vanhu vachiseka ndokutanga kuimbira
"Happy birthday ".Kunze kwekuti ndifare
ndakachema apa ndakasungwa jira kumeso
ndave kufunga stress yandaive ndapindana nayo
zvanga zvakaoma.Pandakabviswa jira riya
ndakaona Kuda akamira pamberi pangu
achitoseka hake"kkkkk happy birthday Memo l
Love you",akadaro achinditambidza makeys
emota.Instead yokuti ndifare ndakatochema
zvisingaite zvokuti Kuda akabva auya
ndokundimbundira akutanga
kundinyaradza.Ndakabva ndakiswa pamberi
pevanhu ,ndakanyara zvisingaite ndakazonzwa
vanhu vave kuombera
maoko.Ndakazomupopotera kuti next time
handidi suprise yakanyanya kudai
,ndakazonoratidzwa mota yacho ndakashaiwa
pekuisa moyo .Ndakangoerekana
ndamumbundira kana zvekunyara vanhu
zvakambopera this was my biggest suprise
ever.Ndakatenderera mota yese yaive
yakangoiswa masticker eface yangu ,that was
wonderful.Ndakazofonera kumba kuti vasaite
worried havo kwanga kusina nyaya it was just a
suprised birthday party vakatopererwawo
nazvo.Vaigodii mwana awana anomuda,cake
racho raive rakakura rakanyorwa
kunzi"MEMORY I YOU".Unosvika pakupererwa
nezvimwe zvinoitika palife ndakati nhai Mwari
where was this guy ndichitambisirwa nguva nana
Dean vasina kana future zvayo.Vanhu vakadya
nokunwa iwo maphotos haataurwe pamwe
ndaitoita zvekuberekwa chaizvo.Ko aive
azvifunga nguvai zvose izvi ,vanhu vakazotanga
kurova braai .Vakatozoparara late ndokusara
tave 2 mumba medu ndakatoziva kuti chaive
chaka chaya chete zuva iri ,nokuti chikudo
chacho chaive chisina kumira mushe.Ndapedza
kurongedza zvinhu zvaive zvasiwa nevanhu
ndanga ndaneta ndave kuda kurara,apa
ndainyara kumuudza kuti ndave nehope iye
akabva aramba achiona TV achiratidza
kutonakidzwa nemovie yaaiona hake. "Memo
wave kuda kurara " aitoseka hake,"eye ndaneta
wena stress yandapindana nayo ndiwo ma1
chaiwo." "Ko watopedza kundiona here hanti
waida kuti ndirare kumba kwenyu uchindiona the
whole night kuti upedze shungu ngatitandarei
nhasi hapana anorara" apa ndakabva ndarova
serious kuti azive kuti nddaive ndaneta
.Akazonondiratidza bedroom yake kuti ndirare
aimbonopedzisa movie yaaiona,imba yaive
yakanaka uku ndiko kwaive kugara muparadise
chaimo.Bedroom iyi yaive netoilet ne bath mukati
,ndisati ndarara ndakabva ndaenda kunogeza
semunhu aive aswera ari busy .Ndakarara hope
dzemadzikirira ndakatozopeputswa naKuda
paakauya kuzorara ,that was my biggest day
again....... kkkkk.Makuseni ndakatozomuka dzave
kuma 9 ,ndokutoona mised cal yamama.Ndakati
regai ndinzwe kuti varikudei vatobvunza kuti
urikuuya nguvai.Asi varikutondiita kamwana
kadiki chaiko ,ndakangoti ndiri kuuya kuti
zvipere.Pandakapedza kugeza ndakabva
ndatanga kutsvaira mumba ndokutanga kuwacha
hembe dzaive mumba umu dzaive dzakasviba
.Kuda akatozomuka ndatopedza kubika ,"Memo
unobva wada kuzviuraya nebasa hanzii?" Uku
kwaive kuda kundinzwa chete "lm a woman saka
ndinofanira kushanda kwete kuda kuitirwa
ungazoti ndiri mukadzi papi."
"Kungoti vanhu vanosiyana unoziva here kuti
kune vakadzi vasingagone kana kubika sadza
raanodya chairo hanzi tiri masalad "
"Inga vanenge vakaoma ivava" "This
food is delicious you are a good cooker saka
ndichasimba ndombodyawo mumba zvinobikwa
namadam." Tose takaseka "iwe unotaurisa
zvisingaite iwe"ndakadaro ndave kurongedza
maplates patable ,ndakatarisa nguva ndakaona
dzaenda zvisingaite apa ndainda
kudzokera."Kuda ndave kuda kuenda nguva
dzafamba " ndakadaro ndichienda kunoisa
maplates kukitchen ."Ummm honey just one more
night wozoenda hako usadaro ,usandiomesere
kudaro",ko kumba ndaizoti kudii "another thing
driver arikuda kukuperekedza achidriver mota
yako anotowanikwa mangwana Monday nhasi ari
paoff." Yakabva yafa yaka loader kumba
ndaizoenda mangwana .Takaswera tichifara taive
pahoneymoon ko chikoneso chii???
Ndakazoayina nekubika handina kuona kuti zuva
radoka sei ,ndakazoronga kuti ndaizofanira
kuenda kuEastlea kunoona mai vaKuda monthend
.Apa kumba ndanga ndave kutya kutukwa
ndakafonera tete mai Ruva kuti vakabvunzwa
vanoti ndanga ndiri kumba kwavo.But
vakandityira kuti ko murume uyu akakushandisa
okusiya vaitondityira kunge ndaive mhandara
,ndakamboshandiswa takasiwa wani pasina
benefit manje apa ndakatengerwa an expensive
car and mari dzose dzaatipa so far zvinenge
zvavharana.Monday ndakazomukira kuenda
kuChinhoi driver wandaienda naye akabva
audzwa"ziva zvokuperekedza madam vangu chete
kwete kutora advantage yekutonditorera mukadzi
wangu" "no boss mati ndingabva ndadaro
here" ndakangoseka hangu .Ndakabva ndapiwa
goodbye kiss"safe journey Honey thank you for
everything especially ........ kkkkk"
"Thank you too Kuda for the car and the party
but the suprise was too much dont try it again l
love you ,l wish my dreams will come true one of
the days" kwaingove kuenda asi moyo wangu
waisara naye .Ndakabva ndapiwa mari
yokuendesa kudriving school
zvakaoma.Takasvika kumba achiri makuseni
chaiwo vanhu vakapemberera mudziyo wedu
mutsva uyu ,zuva rose yaingove nyaya yesuprise
yaKuda iyi .Mazuva akafamba Kuda anga ave
kunetsera kuti ndidzoke zvakare kuHarare it was
his turn now kuda kuti ndiuye yangu ndanga
ndapedza zvaive zvaita.Driving ndanga ndave
parinani but kutya ndiko kwaive kuchiri
kwakawanda Mama ndakagara ndavaudza
programe yemonthend yekuenda kumba kwana
Kuda vakangoti ose machena.Zuva rokuenda
rakwana ndakapfekawo semunhu aibva kuvanhu
kupfeka zvakatsiga,,ndakaenda ndichitora Kuda
kusurgery kwake apa ndaive ndakarova simple
but smart kubva kumusoro kusvika
kutsoka.Musiuyu ndakangoenda kuHarare hangu
sepromise but ndaive ndisinganzwi
bo,pandakasvika musurgery ndakatomboti Kuda
anditore temperature but aifunga kuti ndiri
kutamba hake ndokusiyana nazvo ndokuenda.Apa
aifara zvisingaite since ndakamuziva hameno kuti
aifadzwa nei.Takasvika kuEastlea vanhu vatoneta
nokutimirira food yatobikwa kare,vanhu
vakakwazisana mai vake vakaratidza kundifarira
zvakanyanya."Memo you are welcome kumhuri
yekwaMuza ,wakamudyisei mwana wangu
unogara uri pamuromo pake" vanhu vese
vakabva vaseka mhuri iyi yaigona kutambira
vaenzi .Maivewo nana sisi vake vaviri
vaingoratidza kuti vanhu vane mari dzavo asi
vakandifarira zvisingaite neniwo ndakabva
ndanatsonzwa kuti ndasvika pamba.Chikafu
chakazoiswa patable kuti vanhu vadye
vachitandara havo,nguva yakavhurwa poto yaive
nebeef ndakangonzwa kamwe kaheadache
kasingaite ndokubva ndasiyana nazvo.Nguva yose
yandaiwanzirwa kudai Kuda aitofa nokuseka
hake achinditarisa ndaibva ndaita kunge
ndichanyura pasi nokunyara,munhu wese agara
patable tave kudya takangoti one spoon yerice
mukanwa ndakanzwa mate anovava kuzara
mukanwa ,nguva iyoyo ndakangosimuka
ndokumhanya mutoilet ndakarutsa kunge
ndichabudisa matumbu simba ndokupera
.Ndakazonzwa Kuda andibata mapendekete
"honey what is it??
1)Ko Memo chave chii futi kkkkkkk
Ngatisanganei munext chapter
END OF CHAPTER 21
[2/27, 14:53] Sex: Life is a journey
Story by :H.Sengi
Chapter 22

Ndakangocheuka ndakamutarisa simba rokutaura


ndanga ndisisina ,"Memo ko urikurwadziwa nei
talk to me " kutaura chokwadi kurwara uku
kwaive kwangouya kana kuti ndizive kuti
zvaimbofamba sei ndakatozvishaya.Ndakatoona
kunge ndave kutoomesera mumwe wangu
kuramba ndakanyarara "ndine headache uye
mudumbu muri kurwadza kunge mune ronda."
Kana ndakamborwadziwa musi uyu zvaive
zvakanyanya ,"zvakatanga rini ?"
"Temperature yangu ndiyo yanga ingori high
chete for the past 4 days muviri wangu uchingove
weak zvokuti kuchikoro ndaingoswera ndakarara
". Kuda akatoshamiswa kuti handina kumbobvira
ndamuudza zvose izvi "wakambonoona Dr
here,vanhu mune problem yekuchengeta chirwere
tarisa uone pawave nhasi dai wakawana
treatment usina kusvika apa.Ndakazonanaira
kudzokera mudining ,"kwakanaka here muroora
kana kuti ........" Ndakangoramba ndakatarisa
pasi ndaitonzwa kunyara nezvaive zvaitika
,"mama matanga kkkk" Kuda anenge aitoziva
zvairehwa namai vake ,mai ava ndivo
vaizosimudza mhepo kana ndazororwa naKuda
ndatadza kuita mwana nokuti ndizvo zvavari
kutoda zvemwana pakaoma."Kuda ndiri kutaura
newe here kana kuti ndiri kutaura nemuroora
wangu asi unoti muzukuru handimude here."
"Vazukuru munavo wani vakawanda Memo ari
kutorwara ndiri kutoda kufonera Steven auye
azomurapa". Zvakatondishamisa kuti iye aitadza
kundirapa here ega ,pamwe zvaisaita
hameno."Kuda unondishamisa unoda kuti Steven
arape mukadzi wako iwe wega haugone
kumurapa here ,kungoti urikuziva zviri
kumurwarisa kkkkk".Vanhu vaive mumba umu
vaitonakidzwa nekurwara kwangu hapana
aimboratidza kuve serious asi vaifunga kuti ndiri
kunyepera here?"Mama you talk to much
vazukuru vachauya not now handisati ndaroora
murikuzviziva henyu hapana chekumhanyira"
amai vake ndonyaya yavaive vasingadi kunzwa
yokuti ndichazoti ....."Saka chiri kutadzisa kuti
uroore chii ,asi unofunga kuti uchiri mwana
mudiki nhai munyama wandakaita ndewe
kubereka mwanakomana 1 dai muri vaviri ndaiti
zvirinani " Sisi vake vakkabva vadaira"taurai
henyu mama mwana wenyu anoti atidiwo
muroora here,manje uyu anotogara pano
usingade uchida."Apa Kuda akashaya akamira
naye munhu wese aingove against iye,"kana
urisewe Ana nyarara hako ziva zvokupedza
college yako utsvagewo wako murume kwete kuda
kuziva zvisiri zvako".Chinhu chandakafarira
pafamily iyi vaiwirirana zvisingaite ndakangoti
dai ndakasavaparadzanisa ndauya ,nguva yose
iyi ndaive ndakangotarisa ndichiteereera
zvavaitaura."lwe Kuda siya mwana ataure
aonawo kuti wakura no action muroora pano
ndipo paunogara murume wako achida asingade
ndapedza ,saka tokupei chokudya ungatofe
nenzara." Mai ava vaive nerudo rwakanyanya
"mama ndozodya handisati ndave kunzwa
zvakanaka maita basa."Vakaita nharo chete kuda
kundipa chokudya "aiwa dai wanwa kana drink
zvaro uwane kumborara handidi kuti ufe nenzara
."Ndakazongonwa drink riya zvekumanikidza
ndaitoridzwa kuda kudzoka,ndokuenda kunorara
kubedroom kwaKuda .Mazuva aya ndanga ndave
nechirwere chehope ndaingoti kuisa musoro pasi
ndatobiwa kare nadzo,ndakatozomutswa Steven
auya .Pandakamuona ndakabva ndamuziva
ndaive ndakambomuona pabirthday party
paya,"maiguru murisei ,ko marwara nei?
Ndakamutsanangurira zvose zvandainzwa
.Akandivhura maziso achitarisa "maiguru hamusi
kuziva zviri kukurwarisai here kkkkk"
"Steven chimbomira majokes mhani munhu uyu
ari kurwara unoti ndingafone kuti uuye
kuzotamba here pano kubva patauya ndakutotya
mwana wevanhu,kana kumba kwavo handina
kumbovaudza."Steven akabva atarisa kuna
Kuda"mukoma itai serious how many years muri
chiremba mondiudza kuti hamusi kuziva chirwere
chine mukadzi wenyu ,kugona kurapa vakadzi
vevamwe chirapai venyu."Ndakatomboshaya kuti
zviri kufamba sei,"iwe mupfana taura
zvinonzwika ndiri n'anga here ingafembera kuti
munhu arikunzwei uyezve kukufonera ndaona kuti
handikwanise kumurapa saka arikurwara nei?"
"I think she is pregnant "tose takashamisika
"pregnant how come" Steven akatoseka "kkkkk
asi pane zvirikuitika here mese mashamiswa nei
kana musiri kugutsikana mangwana vanouya
kusurgery ndovaita preg test mubate
chokwadi."Ndaive ndakarelaxer hangu nhumbu
ndicho chinhu chandaisafungira kuti ndingaite
hameno hameno taizoona mangwana
acho."Steven ko hausi kumupa kana painkiller
zvayo ",Kuda was so concerned nokurwara
kwangu"imi nderipi painkiller inopihwa munhu
ane nhumbu kunze kweparacetmol chete,maiti
party yaienda nekupi ndiwo maresults acho
musanyepedzera kudzungaira kuita kunge musiri
kuziva zviri kuitika maiguru muchengete mwana
wedu bo ndokuonai mangwana kusurgery kkkkk"
akatodaro achibuda kutoenda .Takangosara
takatarisana kunze kwekuti tifare takangoramba
takanyarara,ndakazoona shasha yaita kugara
kuedge yemubhedha abata musoro.lni
ndakaramba ndakangonyarara ndichimirira
kunzwa kubva kwaari ,mumoyo mangu maive
nemufaro nekakusuwa zvose haisiriyo nzira
yandaitarisira kuita nayo.Pakamboita nguva
mumba makanyararwa Kuda akaramba akatarisa
pasi kushaya kuti aifungei,"Memo ko kana iri
chokwadi kuti inhumbu toita sei ?"
Ndakatoshaya kuti mubvunzo uyu wairevei
chaizvo"Kuda mubvunzo rudzii iwoyo." "Ini
handisati ndave prepared kuva baba saka kana
chiri chokwadi toona yekutamba",airevesa here
nezvaitaura munhu uyu "yekutamba seipi nhaiwe
Kuda "apa ndanga ndave kutosvotwa nenyaya
dzake."You need to abort this baby before it is too
late ,this is unplanned ndine zvakawanda zvandiri
kuda kumboita". I was shocked nezvaakataura
apa ,"what ?" " zvandataura waazvinzwa stop
asking me silly questions ".Apa anga atochinja
kana mood chaiyo ndakatanga kuona kuti
airevesa ,ndakachema ndakademba kuti dai
yakasave iyo nhumbu asi zvandainzwa
nepakazotaura Steven iyi ndiyo yainzi nhumbu
manje.Ndakambofunga kuti ndiende kunoudza
mai vake ,ndoita sei haasiriye Kuda
wandaiziva.Pose pandaichema haana kana kuita
basa neni aitove busy nefoni yake zvake
mukomana ,ndakazofunga yokuenda kwatete apa
nguva dzanga dzave past 7 manheru
.Ndakachema shungu dzangu ndokupera Kuda
aive nechokwadi here anomboziva kuti ndaive
ndakamirira nguva yakadai for a long time nhasi
onditi abortion hazviite izvozvo .Ndakangotora
handbag ndokusimuka iye akabva aita kunge
asina kundiona ndakuda kuti ndivhure door
,ndakanzwa ruoko rwabatwa "Memo where are
you going this night wakakwana here?"
Ndakangoramba ndakanyarara ndichingorwisa
kuti andisiye ndiende."Madam ndati murikuenda
kupi usiku huno"misodzi yakabva yatanga
kuyerera nematama"muchiri kuchema hamusati
mave kuda kupindura chemai kusvika shungu
dzapera akabva akiya door ndokuisa makeys
muhomwe ndokugara hake pasi ,waimudii munhu
aripamba pavo."Memo haunzwisise ndakuudza
nyaya iri simple kana uchida nezvangu kana iri
nhumbu iyi ngatiibvise " apa ndaive
ndazotsamwa zvino"Kuda nhumbu handibvise
nyangwe wakandiramba l dont care mwana
anongokura nyangwe asina baba ". Aitoseka hake
sezvinonakidza "Memo hausati watanga kutaura
urikufunga kuti tiri kutamba nhai"Ko nhai Mwari
ko chaive chaipa chii ndakazoona kuti Kuda aive
rough kwete zvandaimboona zviya but it was too
late ."Vhura door ndiende kumba kwedu izvozvi
wazvinzwa here wakasavhura door ndiri
kuscreemer "apa akaziva kuti amai vake anenge
ari ma1 chaiwo."Try it uone zvandinokuita unoda
kunditukisa nhai "apa ndakabva ndapererwa
ndakademba chandaive ndambouya kuzoita
kuHarare shuwa.Takanetsana but
ndakatomuudza kuti no hazviite .Tete vakauya
kuzotiudza kuti supper yanga yaita ,asi ini
ndakati ndanga ndakaguta .Kuda akabva aenda
kunodya ini ndakasara ndakagara,mama vaive
vasingade kundishaya asikana vakabva vauya ivo
mbune kuzonditora kuti ndimbogara pane vamwe
.Ndichingopinda chete ziso randaipihwa raive
rokuti usature anything kuna mama ,shasha
yakangopedza kudya nokutora makeys emota
ndokubuda hapana akaonekwa.Saka ndizvo
zvaive munhu uyu ,ndakangozokwanisa kunwa
drink ndokunorara but ndisati ndaenda mama
vakanyumwa kuti something wrong asi ndakango
vharawo pachikuru .Ndakangoenda kunogeza
ndokudzoka ndokurara Kuda haana kunonoka
kudzoka ndakatoshamiswa kuona achipinda
achitoseka achiti ndakuvigira zvekudya ndasiya
kukitchen.Kwaive kukwana here
chokwadi,"mwana uyu arikudiwa shuwa"
akadaro achibata dumbu rangu , ndakangobvisa
ruoko rwake padumbu pangu."Saka iwe wanga
uchifunga kuti ndiri kurevesa kuti enda
kuabortion ndinenge ndichida kuonawo pfungwa
dzako ndambokuona nhasi uchichema chaizvo"
ndakasvotwa ndichidzwa achitaura kudai ini
ndafa nestress,"but zvimwe zvaunoita
unombotanga wafunga here,ko dai ndabvuma
waiita sei " "ndaingoziva zvauri chete,l have
been waiting for too long to have this baby ."
"Abortion ndicho chinhu chandisingaite
ndakatambura ndichitsvaga kuti ndiite mwana asi
nhasi ndaiona favour yaMwari." "Honey
thank you ndokuitirei l know sometimes
ndinokuitira zvinorwadza asi unongondiregerera
,mwana uyu isuprise hombe but l feel it because
ummmm panga pasina kumira mushe" "Ini
ndini ndinofanira kutenda iwe ndave mukadzi
pane vamwe dai ndine mari ndaikutengera ndege
chaiyo kkkkk. Ndakazorara bp yangu yaserera asi
Kuda anonakidzwa nokutamba nepfungwa
dzangu.Makuseni ndakamuka ndichinzwa
zvirinani ndakatoitawo basa asi
ndaingopopoterwa namama kuti ndisiye asi
hazvaigona ndaibva ndaita kunge ndine usimbe
,ndakazogadzirira zvokudzokera kuChinhoi .Vana
tete vanga vave kuti dai ndamboswera vachiona
ndichirutsa futi zvaitovaitira fun
shuwa.Ndakaperekedzwa kunosvika kumba
naKuda ,ndakasvika kwabikwa rice nebeans
mama vaitozviziva kuti yaive favourite
.Ndakangoti kuzviona muplate hakusi kumhanya
panze kunorutsa aya ndiwo anonzi ma1
manje.Ndakaona shasha yakaramba yakatarisa
pasi kunyara ndakati tsvatu waro ,mama ndivo
vakatevera panze ."Memo asi une nhumbu " mai
vangu paive pakaipa "handina chinhu mama''
ndakabva ndatariswa nzeve kubatwa batwa skin
yekumeso "Memo iyi ndiyo inonzi nhumbu manje
ndakamboda kubvunza kurara kwawave kuita
mazuvano ,saka Kuda arikuti kudii?" Apa vanga
vakuita kutaurira pasi "nhumbu ndeyake angagoti
kudii mama "ndakadaro ndichigara pasi nokuti
simba ranga rapera,"Memo wandifadza
mwanangu wabvisa bundu ranga riri mumoyo
mangu wandisunungura kudenga kuna Mwari
Memo urikunzwa sei mudumbu mako".Apa ndiita
zvokubatwa dumbu ,mai vakatofara kudarika ini
muridzi wacho.Uku baba nemukwasha
vaitaurawo dzavo nyaya mumba ,ndaingoti nhasi
Kuda anyara kusvika pokupedzisira.Kuda
akazooneka ave kuenda ndipo paakazotaura
nyaya yaive yaitika masikati "Memo kana
ndakambonyara nhasi wandinyadzisa saka baba
vako votoziva kuti une nhumbu hapachaita rega
ndiite plan nguva ichiripo nhumbu yako
inonyadzisa chokwadi ndizvo zvinoita vanhu vese
vanenge vane nhumbu here". "This is too
much hazvichaita kana kuchikoro
handichaenda"zvangu zvaive zvaita chekumirira
panga pasisina."Rega ndiende honey kungoenda
hangu asi ummmm pakaipa hupenyu hwekuve
single hwakurwadza ini zvangu
ndodii??.Ndakamunzwira tsitsi but hapana
zvandaikwanisa kuita ,aidiwa hake apa zvinenge
zvaive zvawedzera ."ko nhasi hausi kuda kuti
ndirare here kkkkkkk zvako zvakabhadhara
ndazviona" apa kwanga kwakutsvaga kudenha
chete."Kuda hauneti kutaura chiende nguva
dzapera "*I LOVE YOU MY MEMORY
*chengeta mwana wedu" akadaro achipinda
mumota ndakangosara ndakamira kusvika
mumota isisaoneki.Everyone was happy kuti
ndaive ndazorangarirwa naMwari vanhu
ngatinamatei ariko anopindura minamato
hedu.Kurwara ndiwo aingove ma1 chete asi
zvaive zvaringana zvakadaro .Kuzoti baba vacho
vaitoita kunge vachatouya kuzogara kuChinhoyi
because mafonero acho aive akapenga .Kumba
ndanga ndave kuitwa kunge ndakabata zai kuti
ringa tsemuke ndaingomuka nokugeza pakudya
taive takarimirana kumuganhu.Kuda
akazondirwadzisa paakandiuudza kuti aimboenda
kuCuba for three whole months ariko ini
ndichisara nani makwikwi chaiwo apa aitoti
afanira kuenda after 1 week .......
1) Kuda achasiya aroora Memo here
Ngatisanganei munext chapter
END OF CHAPTER 22
[2/27, 14:53] Sex: Life is a journey
Story by H.Sengi
Chapter 23

Kugara kumba kwedu ndanga ndave kunzwa


zvisisaite changa changove mupfungwa dzangu
kuenda kumba kwangu chete,because Kuda
ndaimutyira pliz aingogona kutorwa nevamwe ini
ndakangorindira guyo sembwa.Ko handi zvinonzi
chawawana batisisa mudzimu haupe kaviri wani
handina kwandaizowana mumwe anenge
uyu.Ndaitotarisira kuti maybe monthend chinenge
chachaya mufesi akuuya kuzorora ndipo paari
kutondiudza kuti arikuenda kuCuba for 3 months
.Anoti ini nemwana wake tichararama sei
mudhara vasipo ,apa ndipo pandanga ndave
kugara ndichimufunga zvokuti ummmm .Zvanga
zvirinani dai akatosiya asina kana kubvisa mari
yacho zvinobatsira chii iye munhu achienda
kwenguva yakadai .Apa ndaifunga hangu
ndakagara ndega paveranda ndakatarisa dumbu
rangu kuti chaive chokwadi here kuti mune
kamunhu kachazonditi mama .Kana munhu
aindiona ndichiseka ndega aitoti ndiri kupenga
asi hazvisizvo waive mufaro waive wawandisa
saka ndanga ndisisagoni kuuvharira
mukati.Ndaitoti ndakaswera ndisina kutorutsa
ndaitobatikana kuti pamwe handisisina chinhu
,asi ndinenge ndanga ndave kupenga
chete.Ndakatozovhundutswa namai
vaindishevedza vari mukitchen mavaisuka
maplates,ndakatoziva kuti pane zvavaida kutaura
chete "Memo asi urikuda kuuraya mwana ari
mudumbu umu here?" Vakataura vachiita kunge
vachandibaya dumbu nechigunwe ."Ko sei
madaro ?" "Kubva makuseni wambodyei
iyezvino atove masikati baba vemwana uyu
varikutenga zvekudya pano chii chisipo munhu
ozodzwa kuti warwara nenzara ita zvinhu zvinoita
watove munhu mukuru iwe,moyo hauteererwi
unongozvishingisa kudya kuti uwane kufema
chete."Mama vaizonyanya kuti kana votaura
havakupe mukana apa vanobva vaita kunge vari
kupopota futi zvokuti baba vakatozobvunza kuti
chii chaiitika ."Aiwa baba Memo ndiye mwana
wenyu asingade kudya uyu hameno kuti anoda
kuti ndiite sei naye",ndaitofunga kuti baba
vachamira neni asi vave kutowedzera salt
pachironda."lni ndakatomboda kuzvitaura kuti ko
iye mwana wako anombodyei tarisa kuonda
kwaaita manje zvisingaite munhu angararame
neyoghurt nemabanana zvingaite here."Nyaya
yaive yandisarira zvino ndakangoti dai Kuda
aripo pamwe ndiye aizokwanisa kunzwa
dambudziko rangu nezvandiri kunzwa."Asi
zvinobatsirei kuti ndodya ndichizorutsa zvirinani
ndigare ndarega hangu"ndakabva ndabuda
ndokuenda kubedroom kwangu kunombotaura
nababa vemwana ndakangosiya machembere aye
achingotaura ndakangoti muchanyarara sadza
handidye.Ndakabata foni kuona ine mamised cals
ababa mwana ,pandaida kufona foni yakabva
yaringer"hello dad " "honey ko kusiya foni asi
wanga wakarara here uchafira kuhope hameno
hako ,how is Junior tell him dad vave kuda
kumuona ummm long time 2 weeks dzose
idzi."Ndakatofa nekuseka hangu "kkkkk akuudza
kuti mukomana ndiani musikana uyu "
kutoitisana nharo kunge mwana wacho atovepo
kare"a ini musikana handidi nokuti mwanasikana
kuzvarira vamwe tosara tega iye aenda
sezvichaita vabereki vako wauya kumba kwedu
kkkkkkk" "vanosara nanamainini "
"saka ivo havaroorwe here,vachangoenda
sekuenda kwauri kuita babie pakaipa l will miss
you for 90 days dai isiri nyaya yepressure
ndairegedza kuenda hangu asi ndiko kunobva
imwe mari but ungatadze kundimirira here
kusvika ndadzoka." "Handikwanise hangu
unondiwana ndatorwa nevamwe" ndakamupa
kuseka "kkkkkk enda wakasununguka ndiani
anoda munhu anongosvipa nokurutsa mumba
make achisemeswa hake" "varipo uchaona
hako kkkkkk." "Wainditarisira muglass manje
ndakakugadzirira size kkkkk" mamwe majokes
acho aizopedzisira akundibhowa "kana musisina
dzimwe nyaya ibvai pafoni " "usagumbuke
ndiri kutaura chokwadi saka vana baba
varikufarira here kamuzukuru kavo kanenge kari
handsome .like father like son .Pakanouya
kamwana aka tichaonerera hedu ana Memo regai
tinyarare ."Nyaya yandafonera babie hanti
ndakakuudza kuti ndiri kubuda saka nyaya iripo
ndeye kubvisa pfuma mhosva yavepo kuripa
handina kuramba but apa nenguva yandasarirwa
nayo hazvigone kuti ndizviite asi ndichasira zvose
mumaoko masekuru vangu vachasara
vachifambisa basa ini ndisipo urikunzwa here
kana uine mubvunzo feel free to ask." Ko
ndaigotiwo kudii "handina mubvunzo dad go
ahead" akabva aenderera mberi "kana iri nyaya
yemuchato vanosara vachigadzirisa zvose ini
kungouya nokuchata chete,tiri kuuya weekend
nasekuru vangu hanzvadzi yamai nababa vangu
munin'ina wababa vangu tozoita chivanhu
chacho ndichionekawo mama nababa .Tuesday l
will be going hapana chitsotsi ,saka iwe
wogadzirira tichauya tese undiperekedzewo
kuAiirport lm no longer a bachelor "
"Saka weekend murikuuya kuzoitei " "kuuya
kuzoona pamusha zviri official nevakuru
tichizopiwa list reroora .Zvimwe tinenge
tichizotaura pafoni but uudze baba vasandirove
pasi petsoka kkkkkk jokes hako."Musiuyu aive
akafarisa shuwa dzaitaurwa dzacho chete panga
pakaoma,"dad ndazvinzwa but hameno kuti
ndinokwanisa here kurarama 90 days idzi usipo I
LOVE YOU KUDAKWASHE MUZA YOU ARE
MY NUMBER ONE". "No words can
express how l feel you are my everything Memory
Moyo ,mama vaJunior "mwana mukomana ndiye
aitodiwa chete asi ini ndaidawo musikana aive
makwikwi chaiwo."Thanx baba Junior saka
Saturday munenge murikuno ,today is Thursday
saka ndichavaudza vana mudhara." "Zviuru
nezviuru zvese zvevakadzi asi ndakapa iwe
nyembe dzeumambo wemoyo wangu saka
usandirwadzisewo ." Takataura kusvika
pakunzwa kuti zvakwana ,ndakatozobuda ndave
kutoudza baba zvaive zvataurwa nemukwasha
wavo .Baba vakangoti chakaipa hapana rega
vauye togodii kana vaviri vawirirana .Ko
kwaingove kutaura asi Kuda aitoziva kuti zvake
zvaitove zvakarongeka kare.Vakazofonera tete
mai Makiwa kuti vauye kuzoona vaenzi ,handinaa
kukanganwawo tete mai Ruva ndivo vaive
vandipa kuti ndisvike apa.Waingove mufaro bedzi
bedzi vanhu kundiona ndichirutsa kudai apa
kamwana kacho kaibva kaita manyemwe
chaiwo.Saturday yakasvika vakuwasha sekutaura
kwavo havana kutirasisa vakabva vauya nenguva
chaidzo,vakakwazisana vose nemufaro mukuru
vakabvunzana upenyu .Basa ndokuenderera
mberi maintroductions akaitwa zvakarongwa
zvakarongwa Kuda ndokutaura zvekuenda kwake
kuCuba asi akati basa rinosara tichienderera
mberi pasina kukundikana .Pakabikwa vanhu
vave kudya nndakangosimuka ndokunogara
hangu panze ndanga ndave muranda kunonzi
kurumwa nechokuchera chaiko.Vakazokumbira
list ravo vave kuenda ,sezvo ini ndaive ndagara
ndakaudzwa zvekuenda takabva tangooneka tave
kuenda.Ivo baba Junior dai vakazoramba
vakadaro pose pavaitouya vaitosiya mari chete
kana baba kubasa aive atoti vasiye nenyaya
yekurwara kwavaive vamboita aitoti vatsvage
business rokuita aizovapa mari yacho.Takasvika
kuHarare past 6 Kuda akangonondisiya kumba
kuAvondale iye achibva aenda kunosiya sekuru
nababa vake kuEastlea.Ndakasara naòse paive
nèbasa chairò ndakaudzwa zvose vaitaurwa
naKuda nezvangu ,ko ndaifunga kuti achandiudza
nezvamadam vake vandakamboona varimo
musiuya.Ndakangoti handina basa nazvo so long
ndirini ndiri panyanga .Kuda akatodzoka
ndatorara kare ndanga ndambomirira ndaneta
ndichiti achadzoka .Sezvo aive atarisana
nokuenda pressure yacho yaive yakanyanya ,the
next moning akangomukira kubuda ndakatomboti
ndiende hangu kwatete pane kungosara ndega iye
maybe aizononoka kudzoka asi akaramba
aingoda kuti ndiswere pamba chete."Babie
kwatete uchazosara woenda apa chimbogara
pano ndikuone ndiri kudzoka before 10"
ndaingoziva kuti ndiko kubuda kwake."Ndokuona
wadzoka "apa ndaitotaura zvekutosvotwa munhu
wepi anogara ari busy kudai.Kwakasvika kudoka
munhu uya aitaura zvekudzoka asina kana
kudzoka unosvotwa wakazvirega kana foni yake
yaingoti not reachable waitoshaya kuti
zvirikumbofamba sei.Murume uyu ane magame
akawanda chete,ndaive ndakazviparira kuda
kuroorwa naye aive asinganzwisisike
paamire.Kana paakazouya akatowana
ndakatogara hangu naRose tichitoona
movie,"mai Junior lm sorry zvekuita zvacho
zvanga zvawanda ." Iko kunyeperwa ndaive
ndatoneta nako "ndamboti kudii hangu
tichazviona hedu zvinoita kuti mugare muti busy
kudai kkkkkk"ndakatoseka hangu nokuti dzimwe
nguva unonatsoona kuti apa ndiri kunyeperwa
."Zvinhu zvose zvave ready saka sekuru
vachazokupai date rokuuya kuzobvisa mari
,vobva vakumbira muchato date tinozoronga
pamberi." "Hapana problem ndaifunga kuti
waitamba pawakandiudza kuti unondida paya asi
nhasi ndaona kuti wairevesa"chokwadi Mwari
vanoita minana zvandakadza paya nhasi
ndazozvigona."Kana iri nyaya yekugadzirira
muchato nyangwe ndisipo haisi problem tete vako
Catherine ndiko kubasa kwake saka zvese zviri
covered but ndichambokusuwa." Zuva iri takaita
kunge ticharara takagara tichironga zvemuchato
sezvo Kuda aingozodzoka date remuchato rave
kutosvika muchato uyu waizoitirwa muHarare
.Monday takanoswera kuEastlea apa Kuda
anenge aive avaudza kuti ndine nhumbu chete
ndakaona kamutarisiro kavaindiita kakandiudza
zvese. Apa mumba maive mune vanhu vakawanda
vazhinji vacho ndaitotanga kuvaona apa tete
Cathrine vaya vaivepo .Ndakatambirwa nemufaro
kumhuri yekwa Muza ndaingoti dai zvaramba
zvakadaro .Cathrine uyu aive munhu anofara
,takatoswera tichiita tose basa haana
kumbozvitsvaga kuti munhu uyu ndatanga
kumuona nhasi.Aitondiudza life history yake
kusvika paave nhasi,munhu aive nemari dzake
ndiye aive manager kubasa kwake
kwaaishanda.Aive single lady ane mwanasikana
wake 1 ainzi Nicole apa anga ari grade 4."Memo
ndafara kuti brother yangu yazowanawo life
partner after a long time takatombofunga kuti
pamwe haacharoori asi angaasati amuwana
wake ndichengeterewo brother yangu
zvakanaka." Tete ava vainakinzwa havo ,apa
ndaingonamata kuti dai ndakasangoita zviya
zviya pane vanhu kudai .Saka handina
kumboenda kunogara maive nevamwe ndakagara
hangu mukitchen ndakngoita kunge tsika kuti
handingagari nanababa ini ndichiziva problem
yangu .Kuda ndiye akazouya kuzogara neni
mukitchen but zvaitomuitira drama chairo kuti
ndanga ndave nenhumbu.Isu hatina kuzonyanya
kugara takazooneka tave kuenda kumba kwedu
,apa panga patongosara mahours chaiwo kuti
Kuda achienda ndaingoti dai ndaikwanisa kuita
kuti nguva dzisafambe ndaizviita hangu.The next
moning takamukira kuti Kuda abate nguva nokuti
aizokwira ndege ya9am.Takazosara topedza
zvose mama natete Cathrine vanga vatosvika
kare,ini ndakati ndaisakwanisa hangu kuenda
nokuti ndainatsorangarira pain yandaizodzwa
ndichiona Kuda achienda .But vanhu vakaramba
asi ndakaramba kuenda kana iye kuda
akapedzisira azvinzwisisa ndakamutarisa
nemaziso azere nerudo "dad l will miss you ini
naJunior Mwari wenyasha afambe newe l Love
you ."apa ndakanzwa misodzi yave kuyerera
ndakatadza kuzvibata ndakarwadziwa kunzwa
kunge handichazomuoni futi.Iye akatanga
kundipukuta misodzi iya"babie usandirwadzise
moyo wangu ziva kuti ndinodzoka chengeta
mwana wedu ndinokuda Memo ,mama varipo if
you need anything nyangwe Cathrine dont break
my heart ."Nyangwe hake aive andisiira mari
yakawanda but mari is not
everything.Akangozondipa goodbye hug and kiss
achibva abuda hake vana tete vanga vatogara
mumota kare ,ndakasara ndakachema asi hapana
chakachinja...............
Mai Junior vapinda pama 1 kkkkk
Ngatisanganei munext chapter
END OF CHAPTER 23
[2/27, 14:53] Sex: Life is a journey
Story by : H.Sengi
Chapter 24
Ndakachema kusvika ndanzwa kuti shungu
dzangu dzapera ,ndokutanga kurongedza kuti
ndidzokere kuChinhoi.Tete Cathrine ndivo
vakazofona kuti vanga vave munzira kudzoka
saka vaiti ndivamirire vaida kumbotaura neni
ndisati ndadzokera .Handina kuita nharo
ndakanatsoona kuti kuoma musoro
hakushande,ndakati regai ndimire ndinzwe
zvavarikuda kutaura .Pasina nguva vanga
vatosvika "Memo ndinoziva wawadziwa
nokuenda kwaKuda asi dont stress yourself
anodzoka ,remember you are pregnant l dont
want to loose kamuzukuru kangu tanzwanana
here?" Vaive vakanditarisa vachifunga kuti
ndine chekutaura mama ndivo vakazoita kubva
pasofa pavaive vakagara kuuya
pandiri."Muroora tarira Kuda is doing this for
you also saka iwe chingoziva kuti arikuuya maybe
iye atori stressed kudarika iwe but vanhu
vevarume vanopretender as if havana stress."Apa
mai vanga vataura chokwadi chaicho "tete na
mama zvamataura ndazvinzwa l will try by all
means kuti kufunga kuite kushoma because l dont
want to loose my baby."munhu wese akabva
aseka vakaona kuti mwana aidiwa uyu "kana
nesu we dont want to loose him too tiri kutoda
5more kkkkk" "wofamba zvakanaka toonana
next weekend patinouya asi sekuru ndivo
varikuuya this weekend kuzotaura date redu
rekuuya " "maita basa nokundisimbisa
ndanga ndatoperwawo kushaya zvokuita."
"Kana iye angoenda hake but anga achiratidza
kuva stressed wazonyanya kusara uchichema
usade kundiurayira hanzvadzi yangu nebp
kkkk."Takazobuda pamwe chete nanatete ndave
kudzokera kuChinhoyi .Ndakasvika kumba
ndakawana pasina vanhu ,ndakangosviko pihwa
makeys nemukadzi aigara kucottage
ndakongopinda mumba nokurara ndainatsonzwa
kuti ndiri kuda kuzorora.Ndakazonzwa vanhu
kutaura ndipo pandakaziva kuti vanhu vaive
vauya hapana kana akamboda kundimutsawo
zvake ndainzi regai vambokura zvavo nokuti
vaiziva kuti kana kundimutsa
handimuke.Ndakabva ndati regai ndinoona
vamwe vaive mudining ,ndakatadza kana
kuburuka pamubhedha ndabatwa nemusana
ndakamboti regai ndishinge uchanyarara ndipo
pandiri kutonzwa urikutoita
worse.Ndakangokwanisa kushevedza mama
,vakatombononoka kuuya vachiti hameno pamwe
ndaingoda kuvaona chete .Ndakazoshevedza
nesimba ndipo pavakabva vauya ,ndakangoti
musana wangu kurwadza ."Watanga nguvai "
vakabvunza apa vachiratidza kutya ko ndanga
ndichagona kudaira here ndairwadziwa
zvisingaite .Mama vakashevedzera baba kuti
vauye vaonewo zvaiitika ,kuti ndipinduke chaiko
ndaive ndisisagoni ndanga ndakangorara
nedumbu ndakungochema .Baba vakabvunza
vachisiririsa zvino hanzi toita sei nhai ko chava
chii nhaimi ,Memo Memo taura neni mwanangu."
Ndakatarisa baba ndakanzwa moyo wangu
kupisa ndakangovadaira nesign kuti hameno
ndakaona murume mukuru akutenderera nemba
yose kushaya pokubata.Vakazotuma Mercy
kunotsvaga taxi kuti tiende kuhospital ,pamba
mota yaivepo asi anodriver panga pasina.Taxi
payakauya ndakangoti kuna mama vatore mari
yaive muhandbag vachengete zvandainzwa
handaifunga kuti ndinodzoka ndiri
mupenyu.Musana uya wakazobatana nemudumbu
ndakatanga kufema mweya unopisa
chaiwo,kutsika pasi chaiko ndaitotadza
ndakatoita zvokutakurwa kuti ndipinde
mutaxi.Kuhospital yakatosvika ichitonzi
emergency chaiyo,ndakatosvika ndichibva
ndatotanga kurapwa .Ndakafara pandakanzwa
chiremba achiudza mama kuti magona
makurumidza kuuya kuhospital dai manonoka
aitogona kuita miscariage chaiyo .Akazonditora
bp ndokuona kuti yaive yakakwira
zvisingaite.Saka akandibaya injection ndokuti
ndimbozorora tozoona zvaizotevera .Ndakabva
ndaendeswa kuward vana mama vakanzi
vanozodzoka after pavisit ye manheru .Ndakarara
zvekusapepuka vanhu vakauya kuvisit ndivo
vakatozondimutsa apa ndanga ndave kunzwa
zvirinani asi chiremba akati ndaifanira kurara
muhospital ndozobudiswa mangwana kana iye
chiremba aona zvakakodzera kuti
ndibude.Ndakazoti mama vasiye foni asi vakati
nyangwe Kuda akafona sei handifanire kumuudza
zvaive zvaitika anozonzwa adzoka kumba.Tete
ndivo vandakazoudza chete asi ndakavaudza kuti
Kuda aisafanira kuzviziva
vakatozvinzwisisawo.Vakazoti vaiuya mangwana
makuseni vakaratidza kubatikana asi
ndakatovaudza kuti ndanga ndapora
hangu.Sezvineiwo Kuda akabva azofona kuma9
husiku achitaura kuti aive afamba bo hake asi
aingofunga kumba chete.Hana yangu yakarova
paakabvunza kuti Junior aswera sei ,ndaigoti
kudii kunze kwekutoti aribo .Ndakaudzwa
mafambiro ose aaive aita takataura zvisingaite
ndakatozorara hana yangu yave
panzvimbo.Makuseni tete vakabata visit
yemakuseni hameno kuti vaive vabva kuHarare
nguvai mukadzi aive nerudo hake uyu
,ndakanzwa kufara ndichivaona nyangwe hake
Kuda aive kure asi tete vaimbondinyaradza.lvo
vaitoti kana mama havana kuvaudza vaitya kuti
bp yavo yaiswera yakwira "thank God Memo you
are alright handina kana kurara ndichifunga kuti
satani arikuedza kuita sei ?" "Taurai henyu tete
kana Kuda paakafona ndakatobatikana kuti dai
aripo achimbondinyaradzawo kurwadziwa
uku".Pakazouya mama vakabva vaona tete
Cathrine vatovamo vakafara vachiona tete kuti
munhu aive nerudo rwakanyanya.Chiremba
vakazofamba vakati ndaikodzera kuenda kumba
ndakafonera tete kuti vauye kuzonditora tiende
kumba.Tete vakandisimbisa zvakanyanya zvokuti
kana ini ndakatodzidza zvakawanda kubva musi
uyu.Vakangondisiya havana kuzonyanya kugarisa
vaimhanyira kubasa ndakavatenda chaizvo
.Weekend yakasvika sekuru ndokuuya kuzozivisa
zuva raizouya vakwasha kuzorora ,hapana
akapikisa tose taive takangomirira zuvà
ravaiuya.Baba vakakoka hama dzavo ukuwo
mama vakakokawo dzavo.Ini ndakakokawo Sheila
shamwari yangu yekurestaurant kuti auye
kuzoonawo pataive tasvika naKuda.Chipo
ndakamuti auyewo iye aive asati aroorwa
aizvishandira anga avekugara kuBulawayo ,isu
vamwe tave kupinda dzimba dzechi2 kungoti
upenyu hunosiyana.But l dont think l will ever
regret kuroorwa naKuda ,nyangwe akaita zvimwe
zvose izvo asi aindiraramisa kalife kemufirimu
chaiko kekudya nefork and knife zuva rega
raMwari.No man is perfect pasipano zvaanenge
agonawo zvinoda kutendwa.Kuda aingo fona pliz
Junior wake aive pamoyo aisagona naye nyangwe
arikure kudaro,ini ndaitove worse 9months
dzaitondinonokera kusvika.Vanhu vazhinji
vakasvika Friday manheru mabiko aizoitwa
Saturday ,vanhu havana kurara vachifarira zuva
remangwana mai vangu vaive vandidyira pliz
Dean akaroorawo zvokuti apa Kuda ave kuroora
futi.Makuseni eSaturday vanhu vakamukira
kugadzirira vaenzi vaizouya pamba,ini ndaingove
ndakagara ndichitarisa hangu nekungoona ruoko
rwaMwari muupenyu hwangu .By 12 vakwasha
vanga vatosvika kare ,vakauya vakawanda
chaizvo .Hanzvadzi dzose dzaKuda dzaivepo
namama vaive vakazvichenera havo.Mutambo
wakatanga mari yaibviswa kunge mapepa
chaiwo,paive pasina kuchema chema vaive
vakarongeka .Murume anoroora kudai kana
akakuitira zvakadii unoenda kupi hapana
unotofira mari iyoyo .lyo shasha yaive isingabvi
paapp kuda kunzwa zvose zvaiitika ,mombe dzose
dzedanga dzakabviswa asi iri mari mukwasha
akasara asina chikwereti kuna tezvara vanhu
vaivepo vakashaya kana remuromo nazvo asi
vakangoramba vakatarisa mashura
aya.Ndakaroorwa kunge mhandara iri kunotanga
imba .Kuzoti grocery rakauya nevakwasha chete
hapana akambozviverenga waitonzwa usimbe
nazvo.Gusvu rakarohwa nevakwasha vanhu
vakatarisana ndaive ndaroorwa kumusha kune
vanhu vane hunhu zvavo.Vakazokumbira muchato
vakapa date remusi wa30 August .Ndakanzwa
kufara mumoyo mangu nyangwe Kuda
ndaisamuona asi ndaiziva kuti nerimwe zuva
achadzoka hake.Vanhu vakadya nokunwa
vakafara vanhu vakatozoparara late vave kuenda
,isu takatoita pungwe vanhu vachipemberera
vachifara havo vegodo havashaiki vaitoti tione
akakugara achangorambwa futi atadza kuita
mwana ,vasina kuziva kuti vaive vanyangira
yaona Junior atovemo kare satani achida
asingade ndinomubata chete mwana
wangu.Mazuva akafamba haana kumira
ndakangoringa nzira kutarisa kudzoka kwababa
Junior .Uku tete vaifambisawo zvemuchato
dzimwe nguva ndaitombonovabatsira apa neapo
kurwara kwanga kwave kushoma ndanga ndave
kuenda ndichisimbawo.Muchato uyu
waizotangira kuchechi kuRoman Catholic
yekuAvondale ndiyo chechi yaiendwa naKuda
waizonoperera kuHarare Gardens .Takapinda
July ndakati ndinomupedza here asi Mwari
vakatendeka zvaingoendeka .Baba Junior vaifona
zvemweya yetsvina mumwe musi ndipo
paakandiuraya nokuseka hanzi kurota
ndadzokera kuna ex wangu ndakaseka kuti dzaive
hope dzeshanje chete.Ko ndaigoenda kupi
nemwana wake hangu.Mazuva aya ndanga ndave
kutokwanisa kugara ndichitoita nyaya vanhu
vekumba vaingoti vakandiona ndakagara
ndakanyarara hanzi wafunga murume wako here
.Dzimwe nguva ndaitomboenda kunoogara
kwatete kuColdstream iyezvino mota ndanga
ndave shasha licence ndaive ndatove
nayo.Takazopinda mwedzi waAugust ndaiita
kuverenga mazuva kuti kwasara mangani nokuti
baba vaive vave pedyo kudzoka.Ndaigara
ndichiimbirwa song yaTongai Moyo
*KURARAMA USIPO INYASHA*.Idzo dzaivewo
nyasha chokwadi hupenyu hwacho hwairema
zvisingaite.August uya ave pakati ndakazobva
kumba ndakanogara kwatete maiRuva nokuti
pressure yemuchato yaive yawanda.Gown
randaizopfeka raizobva
kuCuba.Ndakanatsotsvagirwa munhu aingoita
basa rekungondigadzira kumeso chete zvaive
zvakarongeka better apa ndaive ndasimbawo
zvaive nani.Kwasara 3days kuti muchato usvike
vana mama vakazouya kuHarare .Changa chave
kundirwarisa Friday yakakwana Kuda asati auya
but tete vaimboti anouya Thursday saka changa
chave chii ,apa kana kumbofona hake.Tete
ndakamboedza kufonera tete asi vaingotsenga
tsenga.Ndakamboti pamwe kusvika manheru
ndichadzwa result irinani asi paive pasina .8
dzakasvika pakukwana ndisina kunzwa kubva
kunaKuda ndakatanga kuva worried apa vanhu
vamirira muchato mangwana apa Chipo anga
atokumbira kubasa kuti auye kuzoita best hirl
wangu .Ndakamboedza kubvunza mama vake
vaitoti vari worried kuti chii chamubata kana
kufona haana .Ndakamboti kuna hairdresser
wangu ambondisiya ndimboenda kumorara.
1)Saka Kuda zvaasina kuuya muchato uchaitwa
sei ?
2)Ko icho chambomutadzisa kuuya chii?
*Ngatisanganei munext chapter*
END OF CHAPTER 24
[3/19, 21:24] Sasha banks: Life is a journey
Story by:H.Sengi
Chapter 25

Ndakanatsofunga ndakarara hangu kuti chii


chaimboda kuitika mulife yangu kuti nditi
ndisatani asingadi kuti ndifarewo
ndakazvishaya.Ndaizokwanisa here kutarisana
nevanhu mangwana here muchato usina
kubudirira ndainyura pai .Yaitoswera yazara
mumawats up kkkkkk ndizvo zvavanoda vanhu
nyaya yemahara,ndini ndinenge ndiri pafront
page chaipo.Ndakazoona Chipo atevera kuspare
kwandaive ndakarara "Memo dont stress yourself
husband yako inouya" but ini ndaive nebelieve
yokuti anouya but nguvai."Chipo handichaziva
kana zvekuita ndatove confused look dzave past 8
no even foni call zvayo kuti ndizive kuti chii
chirikuitika Kuda ngaasandiise panguva yakaoma
kudai."Apa ndakazvidemba ndakazvirega ndaive
ndatarisana nenguva yakaoma zvino ,"ndiri
kuzvinzwisisa asi tarisa condition yako Memo do
you want to loose this baby nokuti muchato hauna
kuitwa ,nyangwe Kuda akasauya ziva kuti life
goes on pasina muchato."Chipo aive andiudza
mashoko makukutu chaiwo kana nharo ndaive
ndisina pakadai,"thanx Chipo rega timboona kuti
zvinosvika kupi ." "Memo handei
unopedziswa kugadzirwa musoro very soon Kuda
anenge auya tomorrow is your big day so dont
spoil it last minute ,you have been waiting for this
day for a long time .So come on usaputsa
chirongo wasvika mhani."Chipo akataura
mashoko akandipa simba rokusimuka zvakare
,takatobuda tave kutotaura dzimwe nyaya
tichiseka .Kuda akatozofona dzatove past 10 kuti
aive asvika ndakafara veduwe zvakaonekwa
nemunhu wese ,ndaive ndagara ndazviziva kuti
haaimbondirasisa nekwese kwataive tabva .
"Babie iwe zvakaoma urisei l miss you ,how is
everyone." "Ndanga ndave worried thank
God wauya l miss you too", "Memo mwana
wedu arisei l cant wait for tomorrow ummm
ndirikuda kukuona ". "Kkkkkk iwe hazviite
kuti undione see you tomorrow Love you"
"Love you Memo lets hope husiku
haurebi."Ndakatozoita zvekukata foni ndatoona
kuti nyaya dzacho hadzisi kupera ,ndakazoudza
vanhu kuti mmuchato wazobudirira.Tete Cathrine
vakazouya neparcel yaive yabva kuCuba
maingonzwa piz baba ava vaigona kusarudza
.Gown racho chete ranga rakanaka tingangoti
everything hapana chawaishora.Musiuyu hatina
kurara ndaimboonekana nehama neshamwari ini
ndanga ndave kunotanga upenyu hutsva ndiri
kumhuri yekwa Muza ndasiyana nezvekwa
Moyo.Ndakaunzwa musi uyu vanatete vangu
vaive nezvipo zvokutaura ,vaive vasingade
kunyadziswa.Munhu wese akafumira kugadzirira
misa yaizonzi yaitanga na9 saka dzaifanira
kukwana tapedza.Musiuyu ndaive mambokadzi
chaiye ndaiitirwa zvose,ndaitomboti pamwe ndiri
kurota asi ndatoona kuti zvaiitika .Ndakafunga
kudzingwa kwandakaitwa naDean nokuzoona
Kuda kwandakaita ndakangoona ruoko
rwaMwari paupenyu hwangu.Vanhu vapedza
takazoenda kuchechi ndichiburuka mumota
ndaiita kufambira pamusoro pemazambia
handaitarisira zvinhu zvakadai kuti zvingaitike
muupenyu hwangu.Mhururu dzairohwa vanhu
vachiimba nokupemberera ,ndaingoti ndini here
ari mumambure.Baba ndivo vaive vakandibata
ruoko vachinondipa kune murume wangu ,ndaive
ndisingakwanisi kana kusimudza musoro ndaive
ndakangotarisa pasi .Vakwasha vakapfugama
vakarova gusvu kunatezvara vachipiwa mukadzi
wavo,ndaive mwenga chaiye ndaiita kufamba
ndakatarisa pasi ndaitadza kana kusimudza
musoro chaiwo.Humwenga hwaive hwakaoma
veduwe ,kuzoti Kuda paakazondivhura kumeso
ndakaita kunge ndichanyura pasi nokushaya
pokutarisa iye aibva aita kuramba akanditarisa
kumeso chaiko.Zuva iri ndaive ndisiri Memo
wemazuvaose ndaive mumwe munhu
chaiye.Ndakapfekedzwa ring ndakaziva kuti
ndave Mrs Muza chaivo kwete
zvekufungidzira.Nguva inodiwa nevazhinji
yakwana yekiss ndakashaya zvokuita ,kuti shuwa
here pamberi pamai nababa here but paive
pasina yekutamba.Ndakanetsa kukiswa
semhandara chaiyo kkkkkkk.Ndakazvidemba kuti
ko Kuda aivepi ndichitambiswa naDean varume
vane future varipo.Muchato wakanakidza veduwe
ndaitodemba kuti dai zuva rakasadoka taive
takachena tose nevaperekedzi vedu.Muchato
wakazonoperera kuHarare Gardens vanhu
vakatamba vakazvirega ,chikafu nemadrinks aive
mavhu nemarara zvaisazivana kukura kwedumbu
rako chete.Kuzoti cake raive rakakura zvokuti
vanhu vaitoshamiswa naro.I will never forget this
day muupenyu hwangu ,ndichiona vanhu
vakandiunganira zvakabva zvandifungisa song
yachimbetu *vana vevamwe vanosaina
wani*yakaimbwa tichiri vadiki hedu.Zvipo
zvandakawana zvaive zvakawandisa kuzoti mari
handitaure ,unosvika pakuti mari yose iyi
ndoishandisei.Mama vakanditengera 4 plates
stove nekitchen unit ndakafara
zvisingaite.Hanzvadzi dzaKuda dzose dziri 3
ndidzo dzakatipa mari yokuenda kuhoneymoon
kwe1 week tiri kuVictoria Falls.Handina kuwana
nguva yekuoneka kana ani zvake muchato
uchipera takabva tatopinda munzira.Takagara
kuVic Falls kwesvondo rese yaive nguva
yakanaka tichigara muhotel tiri kumafura mhepo
hedu.Nyangwe nhamo yaizouya asi ndaive
ndambofara kana mwana wangu ndaida
kumuchengetera disc azoonawo.Baba vemwana
vaisagona naye apa ndanga ndave mumwedzi
wechi4 .Takazodzokera kuHarare yave Sunday
takasvikira kumba kuEastlea ndichimboita
chiroora ndichimbozivana nehama
dzemumusha.Vamwene vangu vaisagona neni apa
dumbu ranga rakutanga kuoneka ,kudya ndanga
ndave kudya hangu zvirinani .Kuda busy yake
inenge yanga yatowedzera zvokuti kumuona
kwanga kwakutonetsa aiti akabuda makuseni
aidzoka manheru vanhu matorara,mama
vakatomboedza kutaura naye kuti munhu ane
mukadzi mutsva asingagari pamba wakaita sei
asi wekuudza paive pasina .Ndakatoona kuti
munhu aive asinngaudzike chete apa taingove
nemwedzi chete tabva kuchata.Vamwene vangu
ndivo vaigara vakangondisimbisa kuti shinga
muroora zvinhu zvichanaka imba
ndeyokushinga."Mama ndinozvinzwa
zvamunotaura ko ndingaite sei ?" Vamwene
vangu vaindinzwisisa "ndinozviziva kuti zviri
kuita Kuda zvakaoma asi iwe siyana nazvo gara
achadzikama chete" Kuda aifunga kuti mari is
everything but ini ndaive ndakada iye kwete mari
yake.Mumwe musi foni yake yakaringer achigeza
ndokubva ndati regai ndidaire akabva angopinda
nguva iyoyo ,"Memo urikuitei pafoni yangu?"ini
handina kuona kunge pane chakaipa kubata foni
yemurume wangu."Yanga ichiringer " yakabva
yabvutwa "saka munhu wacho anga achida
kutaura newe?"ndakangoramba ndakanyarara
nokuti ndakatoshamiswa kuti ndanga ndatadzei
."Memo kubva nhasi handidi munhu anobata foni
yangu my foni is my privacy " ndakatotadza
kunzwisisa kuti airevei "dad kana muchiti
iprivacy yenyu munorevei ?" "Memo dont ask
silly questions ndine zvakawanda
zvokuita."Varume vanochinja nenguva diki shuwa
ko ndanga ndatadzei nhaimi hanti ndiye aiti
anoshaya hope saka nhasi chaipa chii
????Akangopfeka nokubuda kana kunwa tea
haana mama vakazviona ,vaimboedza vamwene
vangu asi kwaive kuudza dombo zvaro.Kumba
vana mama ndaigara ndakataura navo asi ndaive
ndisingavaudze zvaiitika ko ndaingoti
chakafukidza dzimba marata plus baba muviri
wavo wanga wakugara uchirwadza saka vaida
kumboonekwa.Mumwe musi ndakati ndakati
regai ndiudze dad nezvekumbonoona baba vasiri
kunzwa zvakanaka kumba."Memo saka wanga
wafunga kuenda rini" "dad kana mangwana
ndoenda lm ready " "chimira tozoenda
weekend but toenda nokudzoka same day " ko
ndaigoita nharo ndaida kunoona baba
vangu.Weeekend yasvika takaenda kumba zvaive
zvakoma Kuda kana kumbondiwanisa mukana
wokutaura nyangwe namama chaivo aive
akangondisona chete.Kuchidoka takabva tadzoka
kumba ndakamboedza kuti ndisare ndainzwiwa
nani zvake.Kuda aisanzwisisika zvaaiita zvose
zvokuti babie l love you kwanga kusisina ,l miss
you aive aenda nenguva yake.Mumwe musi tete
mai Ruva vakauya kuzondiona ndava
kuvaperekedza ndakangoti regai ndipinde
mutown sezvo pasina zvandiri kuita
hangu.Ndasvika mutown tete vakwira kuenda
kuDz,ndakangoti regai ndiite suprise visit kuns
dad kusurgery kwavo.Ndakasvikoona mota yake
iripo ndakaziva kuti shasha iripo ,pandakasvika
pareception handina kumira ndakangovamhorosa
ndichidarika hangu .Mumwe nurse ndipo
paakabva andimhanyira achiti chiremba vabuda
,asi ndakangoti rega ndipinde ndimbozorora
ndozoenda hangu akabva aruma muromo
handina kuzomira ndakabva ndananga kuoffice
kuya kuti ndigare pasi.Sezvo ndaiziva kuti
hamuna vanhu ndakangosviko vhura door
ndichipinda hangu ,ndakangokwanisa kuti Kuda
Kuda .Asi ndakazopepuka ndakarara
pamubhedha musurgery umu.
1) ko chii chaive chaitika kuna Memo
Ngayisanganei munext chapter
*END OF CHAPTER 25
[3/19, 21:24] Sasha banks: Life is a journey
Story by:H.Sengi
Chapter 26

Pandakamuka ndakashamisika kuti ndaive kupi


uye chii chaizvo chaimbotora nzvimbo
.Ndakatarira padivi pangu ndakaona pakagara
Kuda nemumwe nurse aivepo akapfeka uniform
yake.Ndakaedza kurangarira asi ndakatadza
kuzvibatanidza.Pave paya ndipo
pandakazorangarira kuti ndaive ndapinda
muoffice maKuda achikisana nemumwe nurse
muoffice make chandapedzisira kurangarira
ndashevedza zita rake kaviri asi zvazoitika
pamberi handina kuzozviziva."Doctor ,doctor
vamuka "nurse akashevedzera achiudza Kuda
aive akatarisa pasi ,"ko nhai nurse chii chaitika
kuti ndizosvika pakurara pamubhedha " nurse
uya haàna kutaura akangopa ziso kuna Kuda kuti
dairai nyaya yenyu akabva atobuda muroom umu
achisiya tiri 2 .Ndakaona murume mukuru
akaramba akatarisa pasi haana kumboedzesera
kusimudza musoro,vision yose iya yakabva
yanatsodzoka mumaziso angu."Kuda haudaro
pavanhu vose......." handina kuzopedza kutaura
Kuda akabva andinyararidza ,"honey pliz lm
sorry l dont know where to start ." Apa aive
akaita kudonhedza fesi kunge munhu abatwa
achiba mumunda wemunhu,"dont say honey
,honey zvekunyepa handidi munhu anotamba
nemoyo wangu .l give you my heart my soul and
my body where do l go wrong
wandirwadzisa."Kana misodzi yakatadza kubuda
ndaive ndarwdziswa veduwe,"mai Junior for the
sake of our unborn baby forgive me l will never
do it again l promise ", "wakandipa
mapromise mangani let me go ."Akabva auya
ndokupfugama paside pemubhedha wandaive
ndakarara maziso ake aive akkatsvuka
zvokuratidza kuti anga achichema ,akanditarisa
mumaziso chaimo ndokutanga kuchema zvakare
.Ndakatanga kumunzwira tsitsi akachema kunge
mwana mudiki "Kuda kana wakachema kudai
unoda kuti ndiite sei inga ndakuregerera wani
."Paive pakaipa ndakabatwa nemoyo
wekurwadziwa "Memo pliz plz usaudze vamwene
vako unovauraya nebp."Kuda chaisaziva
ndechokuti ndsimuda nemoyo wangu wose asi iye
aitoona kunge handina kukwana.Tasvika kumba
takapretender as if pasina zvamboitika
ndaingofara semazuva ose asi Kuda akangosviko
rara zvokuti mama vakatoshamiswa nazvo kuti
kurara past 7 kwauyei.Iye akangoti arikurwara
ini ndakangoramba ndakanyarara ,nyadzi
dzinokunda rufu veduwe .Ndakabata hana
semunhu mukuru nyaya ndokupera
ndokuenderera mberi neupenyu hwedu,pamazuva
aya akamboita munhu kwaye kumba aive akuuya
nenguva dzimwe nguva taitomboenda kunodya
mutown life yandaiziva iya yanga yadzoka
panormal .Kuda akazoudza mama kuti tanga tave
kuenda kunogara kuAvondale ,mama havana
kuita nharo vamwene vangu vainzwisisa
zvisingaite ndaingonamata kuti dai vakasachinja
.Chinhu chikuru chavakataura ndechokuti "Kuda
undichengeterewo muroora wangu nemuzukuru
wangu zvakanaka zingizi igonye rapamwe
maruva enyika haaperi mwanangu ,iwe ndiwe
unopera mofamba zvakanaka mogara
murudo."Vakabva vapedza zvavo amai vanga
vamupa rokufuka nokuwarira,ko paimboda
mhinduro here pakadai zvaive zvakatokwana
zvakadaro.Takazooneka tave kuenda kumba
kwedu after 2 months apa nhumbu yanga yave mu
6months.Mazuva ose ataive tisipo kwaive naRose
naTom saka hapana basa rakawanda
randakasvikoita.Uku kuChinhoyi baba hazvina
kuchinja kurwara kwakaramba kuchienderera
mberi mukwasha aimbozama kurapisa baba asi
urwere hwakaramba hwakasunga.Kugarawo
kumba kwangu zvanga zvave nani asi mota
hayaitadza kuita breakdown munhu otozouya late
kana kuhospital kwaiita busy husiku munhu
ototadza kuuya kumba ndakangoti ndezve meso
muromo nyarara.Foni yake hayaisiwa pasi
zvekumhanya paari ndipo pairi ,kana nguva
yekumbonatsoti ndayemawo nenhumbu handina
kuiwana,Murume aizotevera kubedroom am ari
pafoni chete.Asi rinamanyanga hariputirwe
mumwe musi foni yakasiwa mumba shasha
ndokuenda kubasa ,ndakati ndazviwanira pano
asi mesage yandakasangana nayo yakandiomesa
mate mukanwa." Kuda you thought you are clever
uchiti ndishandise family planing hausati wave
ready kuita mwana asi Memo akaita nhumbu
yako ,but lm sorry to let you know kuti lm
carrying your baby wotoona zvekuita nyangwe
pabarika ndouya hangu abaiwa anoenda kumba
kwamai vake."Wakatsvaga makudo mugomo
unomawana shuwa dai ndisina kubata foni iyi
ndisina kuona zvose izvi,ndakati kutaura
kunonetsa ndakango fowarder mesage iya mufoni
mangu ndokunyarara hangu.Manheru shasha
yauya handina kuratidza kunge pane zviripo plus
haaizvifungira nokuti aiti handizivi kuunlocker
foni yake asi ndaizviona paaiunlocker ndiri pedyo
naye.Takadya sadza tichifara musi uyu kubasa
hakuna kuita busy nokuti foni yaive yasiwa
kumba ndiyo yaive yadzokerwa .Ndaimboedza asi
varume havana mugoni ndaimuitira zvose
nyangwe ndaive nenhumbu handaizvitarisa kubva
pakubika kana kuwacha Rose ndaive
ndakatomuudza kuti asiye zvose.Ndakabva
ndasenda message iya kuna Kuda
pandakangoona kuti yasvika ndakabva
ndasimuka kuenda kunorara pasina
zvandataura.Kana paakauya kubedroom haana
kubvunza ini ndokuramba ndakanyararawo
,hapanawo akataura nezvazvo ndokungopera
zvakadaro asi anga ava kuziva kuti ndave
kuzviziva .Chinonzi regera ndochiri mumaoko
chiri pamoyo munhu anofa nacho.The day after
nyaya iyi ndakafunga hangu kumboenda kubasa
kwatete Cathrine ,ndakashamiswa ndichiona aka
locker gate masikati kumubvunza hanzi yaive
order yabva kuna boss kuti madam havafaniri
kubuda gate.Ndakamufonera ndichida
kumubvunza ."Zvawaudzwa ndizvozvo urikuda
kuenda kupi" ndakamboedza kutaura naye asi
akaramba akaoma musoro.Adzoka manheru
ndaiti achataura nyaya yake asi akangoramba
akanyarara .Hupenyu hwandaive
ndakuraramiswa naKuda hwaive hwakaoma
mari yaivepo hapana chandaishaya asi kugara
mujeri here usingabudewo panze .Hanzi
unozonditiza saka aitozviziva kuti anodeserver
kutizwa nhai.Kuenda kumba kwedu chaiko
taienda nokudzoka tose ,murume wangu kundida
aindida asi aive munhu asingakutsikane
chete.Kumasungiro chaiko handina kusiwa
akangonosungira nokudzoka neni mai
vakamboedza kuti pane zvimwe zvinenge
zvichidiwa pamunhu akazvitakura zvaanenge
achida kupihwa asi akangoti ndaizodzoka kana
mazuva akakwana.Rwaive ruchiri rudo here kana
kuti chii???Vana tete vakamboedza kutaurawo
asi akaramba akaisa zvitanda munzeve,ko kana
mwana ndaimboziva kuti anochengetwa
sei?Mazuva aive aenda zvino ndanga ndave
kungorwara rwara zvanga zvave kuda kuzoitika
ndaive ndave kugara ndichongoonekwa vachida
kuona kuti zvakamira sei .Weekend yandakaenda
kunoona baba ndakaona kuti paive pasina kumira
mushe baba vaive varwara taive taedza zvose asi
apa panga pave kuda Mwari chete."Mai Muza
mwanangu uchengete mukwasha wangu
nemuzukuru wangu zvakanaka ini uku kurwara
wakati ndinomuka pano here handifunge ,asi
chishuvo changu ndaida kuonawo muzukuru
wangu mukuru asi nguva haisi yedu
inemuridzi."Vakabva vatarisawo kuna
Kuda"mukuwasha Mwari vakuwedzere
wakandiitira zvinhu zvinotyisa mulife yangu
ramba wakadaro asi undichengeterewo mwana
wangu nemuzukuru wangu kana ari mukomana
anonzi Kupakwashe asi kana arimusikana anonzi
Nokutenda mofamba zvakanaka."Mashoko ababa
aimborevei chaizvo ndakangoti munhu wese
anorwara anongofunga kuti ave kufa ,"baba
muzukuru muchamuona hapana kwamunoenda
tinodzoka tokuonai tave kuenda "akadaro Kuda
achioneka baba.Ini ndakangovaudza kuti
ndaizouya nemuzukuru vamuone ,ndokubva
tabuda kuenda vanhu vaingotisimbisa kuti
munhu anorwara anongotaura hazvisi
zvokutevedzera.Ini hangu apa paive pasina
kundijekera kunzwa munhu otaura kudai
ndaitofanira kudzokera futi midweek Kuda haana
kuita nharo.Ko ndaizivei hangu kuti midweek
kwaive kure,Monday Kuda akaenda kubasa
kuma10 aive adzoka aina mama vake
ndakambofunga kuti asi inyaya yokuti ndanga
ndave kugara ndichirwara saka aida kuti ndigare
navo ndakazvibvunza mibvunzo yakawanda.Asi
vose vairatidza kuti vaive vasina mufaro
takabvunzana mufaro ndokutanga kuvagadzirira
tea asi mama vakati ndimbouya ndigare
vachazonwa havo."Muroora kundiona kuuya
kudai zvinhu hazvina kumira mushe"hana yangu
yakabva yarova kuti chii chaive chaipa asi
musikana uya atizira chii ?vakabva vaenderera
mberi"kuChinhoyi baba hakusisina vashaika
makuseni ano"Ndakapererwa ndakachema baba
vangu vaive vandirwadza vanhu vakamboedza
kundinyaradza asi zvaisaita ndakachema kusvika
ndanzwa shungu dzaserera .Tanga tatove
nohurongwa hwekuenda
kuChinhoyi,takatogadzirira kuti tiende
ndakabatwa nemusana ndakamboti regai ndigare
pasi mudumbu makabva madairawo
.Ndakarwadziwa ndaishaya pokubata ndakatanga
kurutsa nguva iyoyo .Vamwene vangu ndivo
vakazoti ndanga ndave mulabour nguva iyoyo
,ndakashaya zvokuita vakabva vamhanya neni
kuhospital .Ndakangosvika ndichingorapwa
sezvo ndaive staff,vamwene vangu
vaingondisimbisa ndozvazvinoita shinga
chete.Kuda akangondisiya ndiri mulabour
ndokumbonobata maoko kumba achivaudza
nezvanguwo kuti ndiri kuhospital.Dambidziko
rakazoitika pandiri ndaingorwadziwa asi pasina
chaiitika .Kuda akazodzoka atove manheru
chaiwo aimbosiya aronga zvekuvigwa kwababa
vangu maingofona achingonzwa kuti hapana
chaita saka vaiti vaimbomirira kuti usiku pamwe
zvaiita.Kuda akangodarikira kuuya kuhospital
apa anga apererwa kuti chii changa chave kuitika
zvino,vamwene vangu kana kumba havana
kuenda .Ave makuseni madoctors ndipo paakati
zvakaramba zvakadai kusvika masikati mwana
aizogona kufira mudumbu saka vakaronga kuti
ndiitwe operation ndanga ndasina choice
nndaingoda kubata mwana wangu chete.Kuda
akazoti aindiita operation yacho but aiti zvaive
zvakamuomera kuoperator mukadzi wake asi
mamwe madoctors ndiwo akati hatingakuitire
izvozvo iwe uripo.Ndakazopinda mutheatre na2
vamwene vangu vaingonamata kuti
zvibudirire.Operation yakaitwa yakabudirira
,3:30 dzakazokwana ndamuka ndakabatsirwa
nemwanamukomana .Munhu wese akafarira
mwana uyu ndakatarisa mwana uyu ndakachema
ndakafunga baba vangu kuti dai varipo
vachionawo mwana wangu.Takazomupa zita
rokuti *KUPAKWASHE*sechishuvo chababa
vangu nyangwe havo vaive vasisipo .Ndakangoti
R.l P baba makarwisa makashanda.Hama
dzakawanda dzakauya kuzondiona ndiri
kuhospital vachibva kurufu kwababa ,mama
ndivo vakazosara vachindichengeta
vachibatsirana navamwene vangu .Baba
vemwana vaisagona naye Kupa wavo ,akabva
akumbira ruregerero pane zvose zvakaitika vana
mama varipo ,vose vakatoshamiswa kuti pane
nyaya dzakadai dzakaitika
tisingazive.Ndakazoburitswa muhospital after
3weeks ndakazoenda kuChinhoyi ndokunoona
paive pakarara baba vangu ndichikandawo
dombo.Ndakangoti"baba ndauya naye muzukuru
wenyu wamaive makamirira uyu
*KUPAKWASHE*
*THE END**
*LOVE YOU ALL MAFANS ANGU RAMBAI
MUCHINDITSIGIRA*
*TOSANGANA MUBOOK RIRI KUTEVERA
RINONZI CHIRAMWIWA*
*IN GOD WE TRUST*

You might also like