You are on page 1of 8

CHANDAKATADZA CHII?

VOLUME 1
A story by

Cleopas Bhamu
0786 529 922

bhamucleopas9@gmail.com

Cover page designed by


Leoz Design

0772 450 931

© All rights reserved. No part of this publication may be reproduced, or transmitted, in any form, or by
any means without prior permission from the author and or/the publisher.

Mashoko ekutenda

Ndinoda kutenda vese vakandibatsira pandainyora rungano rwangu kubvira kunaamai vangu, baba,
Arnold naAlison nekushanda semaeditor angu.

Ndinoda kutenda vatsigiri vese vebhuku rino nekuti ndivo vanoita kuti ndienderere mberi.

Ndinoda kuzotenda Leoz Desigs nekundigadzirira ma cover pages.

CHITSAUKO 1

Kupindirwa nematsotsi

Munongondinyomba zvenyu muchinditi ndiri chirema asi handina kuzvisarudza. Handina kuzvarwa
ndakaremara. Sekai urema mafa hamawee. Ndakatozoremara ndatokura. Izvi zvakaitika mushure
mechimwe chiitiko chandisingakanganwe. Baba naamai vaive vaenda kwaambuya ini ndokusara ndega
pamba. Zvakaitika sekudai;
Sezvo ndaive ndasara ndega pamusha hazvina kunditorera nguva kuti ndipedze kubika. Ko kubika
chikafu chemunhu mumwechete kunombononoka here? Zvakanga zvasangana nekuda kukasika kuti
ndinyatsoona runhare rwangu rwandainge ndave nenguva refu ndisati ndambobata.

Pandakapedza kudya kunze kwainge kuchangoti svibei. Sezvo pakanga pasina wekutandara naye
ndakaenda zvangu kunorara. Ndakapinda mugota rangu ndokugara pamubhedha wangu kwave kutanga
kutekenya runhare rwangu.

Ndakaenda pawattsup ndokuona tsamba dzaiita kudururwa murunhare rwangu. Ndaidakunyatsoona kuti
vanhu vaiti kudii pamavhiki maviri andakanga ndapedza ndisingataure nevanhu nekuda kweurwere.
Ndakanga ndapedza svondo mbiri ndichirwara nezino. Zvekutaura nevanhu vekuchikoro kwedu
parunhare ndainge ndambotsveta pasi.

Ndakaona tsamba zhinji dzaive dzakanzi MOTIVATION nemavara makuru dzandisina kuverenga.
Ndakazoona imwe yaive yabva kunaTimoti yaive yakanzi“,wavakugona answering technique here? Ini
ndakapinda mumagroup akawanda eGeo." Ndakaona dzimwe tsamba zhinji dzaTimoti dzandisina
kuverenga dzaainyora mibvunzo achiipindura.

Ndakamboda kuverenga imwe tsamba yaive yakanzi ONLINE VIRTUAL LESSONS asi handina
chandakanzwisisa nekuda kwehope. Ndakatoita zvekuvhunduka ndadonhedzera runhare rwangu
pamubhedha. Ndakabva ndangopinda mumagudza ndokurara zvangu.

Ndichingoti isei matama pasi ndakanzwa kuti dhi dhi dhi mazimitsindo achiuya pedyo. Hana yangu yakati
mwau vhudzi ndiye nyau-nyau. Ndakamuka ndokugara pamubhedha murima. Mushure menguva pfupi-
pfupi ndakanzwa mitsindo yopararira nemusha wese. Zano rakauya mupfungwa dzangu ndokutanga
kunyahwaira ndakananga kuhwindo.

Ndisati ndapeura mucheka waivepo kuti ndione zvaive panze ndakanzwa hwindo rogogodzwa
zvinesimba. Ndakatya kudavira sezvo izwi rangu raizonditengesa zvikazivikanwa kuti vabereki vaisavepo.
Ndakanga ndave nemakore gumi nesere ekuberekwa.

Ndakarangarira mufundisi wekusvondo kwedu aitaura achiti“, usati waita chero chaunoda kuita
paupenyu, tanga wanamata Mwari. Ukaita sekudaro unoona zvinhu zvichikufambira zvakanaka."
Mumwoyo mangu ndakanyatsogutsikana kuti nguva yandaive ndiyo yaida kudanwa Musiki.
Pakarepo ndakagwadama pasi ndokutsinzinya. Ndakatanga kunyengetera nezwi rizere kutya;

“Ishe Jehovha Samasimba.

Ndinoziva ndimi mupi wevanoshaya.

Kuine rima ndimi chiedza chevatendi.'

“Ndimi makanunura Dhanyeri mugomba reshumba.

Ndimi makaburitsa Pauro mutirongo

Ndimi makaita kuti Misheki naAbhedhinigo vasatsve nemoto.

Tarirai ndavingwa nechikara pamukova.'

“Ishe ndinochemera simba renyu guru kwazvo.

Riya ramakaratidza vaIsiraeri pamberi paFaraoh

Hondo yaFarao mukaidzivisa kuyambuka gungwa.

Ko ini ndachema nezita renyu zvinokonewa nei?

Ameni."

Pandakapedza kunamata zvakanga zvatowedzera. Dai pasina kuti taive takavakira kure nedzimwe
dzimba pamwe ndaigona kutarisira rubatsiro kubva kuvavakidzani.

“Ndiani?" Shoko iri rakaita zvekupoya mukanwa mangu.

Ndakanzwa kuti pane zvataurwa nekazeve- zeve asi handina kunzwa kuti zvaive zvanzi kudii.
Ndakanyahwaira ndakananga kuhwindo rekumberi uko ndakasvikopeura mucheka waivepo kuti
ndidongorere.

***** ***** *****

Ndakaona panze paine varume vatatu vaive vakapfeka nguwo refu, dziri nhema, dzaisvika kutsoka.
Mumwe airova-rova pagonhi apo mumwe wavo akamuvhenekera nemwenje unenge weparunhare.
Mumwe wavo ndakaona akamira nechekure achiita seaitarisa vanhu vaigona kungosvika pamba pedu
panguva iyi.
Kubvira makore maviri aive apfuura taiti kukaitika nhamo, manyaradzo kana gungano ripi zvaro, raida
kuti tinge tiriko imba yese, taisaenda tese. Vamwe vaitanga kuenda vamwe vachizotevera. Vanenge
vaenda kana vadzoka vamwe vozoendawo. Izvi zvaikonzerwa nekutya kubirwa kwataiita. Taiti tikaenda
tese chete kumba kwaisara kuchibiwa. Izvi zvaisaitikakumasha chete asi nekumba yababa yekuHarare
zvaiitikawo. Kumba yekuHarare kwaigara Mukoma Peter vachiita zvidzidzo zvavo zvemagetsi kuHarare
Polytechnic. Mukoma Peter vaiti vakabva pamba vachidzoka kumusha pavaizodzokera vaiwana kuHarare
kwabiwa. Imba yedu yekuHarare ndiyo yaishanyirwa nembavha kupinda dzimwe dzese dzemuWaterfalls
maigara Mukoma Peter.

Imba yedu yekumusha yaive yakavakirwa kure nedzimwe dzimba. Kubva pamba pedu kuenda pamba
pemuvakidzani wedu aive pedyo kupinda vamwe, paigona kusvika kiromita imwe(1kilometer).

Mumhuri medu taive takamira sekudai; mumba manababa maive nevana vaviri, babamukuru BaHonest
nababa. Sekutaurwa kwazvinoitwa zvinonzi paive nemumwe musikana aive gotwe mumba manababa.
Uyu musikana ainziTariro. Tete Tariro vakashaya vachiri murugwaro rwechina rwepuraimari(grade 4)
kureva kuti isu hatina kumbobvira takavaona. Baba nababamukuru ndivo vakakura kusvika pakutoitawo
mhuri dzavo. Pakanga pasati papera makore matatu kubva parufu rwababamukuru.

Mazuva avaive vachiri vapenyu, babamukuru vaive mutengesi wemuchitoro chenyama. Chitoro chacho
chavaisevenzera chaive chidiki saka mari yavaitambira yaive shoma-shoma. Sekuru naambuya vaive
vachembera zvekuti hapana zvavakanga vachiri kukwanisa kuita kunze kwekupihwa mari yechekudya
nechekupfeka nababa.

Vana vababamukuruwo Mukoma Tendai naMukoma Honest taisamboona zvisvinu zvavaiita. Mukoma
Honest vaive vakaenda kunyika iri kumadokero kweZimbabwe mugore ra2005 havana kuzodzoka.
Havana kuzochaya runhare kana kunyora tsamba zvayo. Ukuwo Mukoma Tendai waishaya kuti
vainyatsoita nezvei. Vaigona kubva kumba nhasi vozodzoka kuswera mangwana. Kwavanenge vaenda
hapana aiziva. Taingoita zvekufungira kuti pamwe amai vavo ndivo vaiziva asi vasingade kutiudza.

Baba vakamboshanda naMukoma Tendai kwemavhiki maviri chete, vachida kuti Mukoma Tendai
vawane chingavararamise.

Mushure memavhiki maviri Mukoma Tendai vakaramba basa vachinyunyuta pamusoro


pekusashandidzana zvakanaka kwavaiita nababa. Pavakadzoka takanzwa voti“, kana basa racho richiita
zvekunzwaro zvirinani kugara zvangu ndisina kana cent(muzana) muhomwe. Ndakati ndichisvika pabasa
pacho, babamudiki vakabva vakwira kumusoro-soro zvepfini chaizvo ndokunditi ndivakandire dhaga vari
ipapo. Ndakakanya dhaga rangu kwava kunoiti foshoro kudai wanike rese ivhu radonha risati rasvika.
Ndakanzwa vopopota kuti ndaitambisa simende. Hongu kwavaive ndakazenge ndogona kukusvitsa
dhaga paizopera muswere ndaizwa kuti musana wangu unenge waita serengenya chairo. Hamheno kuti
ndiwo manyunyu acho here andaiitwa ipapo. Haaa kunyange nhamo ikandisvuura zvakadii kubasa ikoko
handidzokere."

Baba vaive bhiridha asi ndivo vaiwana mari yakawanda kudarika yaiwanikwa nababamukuru. Baba vaive
vakatovakawo imba muguta reHarare mazuva avaive vachiri kusevenza paimwe kambani yaiita
nezvekuvaka kuHarare ikoko. Imba iyi ndiyo yaigarwa naMukomaPeter.

***** ***** *****

Rimwe zuva uri musi weChishanu Mukoma Peter vakafunga kushanya kumusha kuzoonawo vamwe.
Vainge vatove negore rese vasina kumbodzoka sezvo vaitya kuti kuHarare kwaigona kuzosara kuchibiwa
pavanenge vasiko. Musi uyu paive pasina chekutya sezvo babamukuru vaida kuendawo kuHarare kureva
kuti vaizopesana munzira.

Mashambanzou emusi wemugovera takachairwa runhare nemumwe muvakidzani wedu wekuHarare


achitiudza kuti kumba yekuWaterfalls kwaive kwabiwa. Matsotsi aive apaza musiwo ndokupindira
babamukuru ndokuvarova zvakaipisisa. Baba havana kuzombodya manonoko, vakabva vangonangako
naamai pamwechete naMukoma Peter.

Tese takasara tisina mufaro. Maiguru Mai Honest naMukoma Tendai havana kuzonyatsodya nekuda
kwenyaya iyi. Vaingoti bate-bate vosiya. Pakasvika shoko rezvekurohwa kwababamukuru, Mukoma
Tendai vaive vasipo hamheno kwavaive vaenda vakazongosvikirana nemashoko aisuwisa kudaro.

Rechimangwana racho Mai Honest vakafumobata jongwe muromo votevera kuHarare. Ndakatomboita
kakufaranuka zuvaro nekuti zuro wacho ndainge ndaswera ndichipfuviswa nekubatwa nekuseri
kweruoko. Patakapedza kudya kwemangwanani Mukoma Tendai hamheno kwavakabva vaenda
kwavasina kuzodzoka kusvika ndatoenda kunorara.

Usiku hwemusiyo hwakapera hana ichitamba bhakumba. Pamusoro pemba akarara ari mahihihi kuri
kuchema kwemazizi. Nekuda kwekugara ndichiudzwa mazizi aishandiswa nevaroyi pamabasa ekuroya
ndakanga ndotofunga kuti varoyi vakanga vatomhara pamusoro pemba. Ndakapedza usiku hwese
ndakasvinura asi ndisina kumbofugura musoro kana kupfakanyika kamwe zvako. Zvemusiyo anenge
aitove mashura chaiwo.
Shiri dzesango dzakatanga kuchema kuratidza kuti kwaive kwayedza. Nekuda kwekuti ndainge ndiri bete
chairo pakutya ndaisada kufugura musoro kusvika zuva ratanga kunjenjemera nemumagudza mandaive.
Ndakazomanikidzwa kumuka nemunhu akanga ogogodza pamusiwo.

Ndakazarura musiwo ndokuona vari VaMakoko vaive vauya neshoko remariro. Vaive vauya kuzondiudza
kuti babamukuru vaive vashaya. Zvakambondinetsa kugamuchira asi pachokwadi babamukuru vaive
vapinda mudare risina dindikwa. Hapana musha usina guva hamawee. Rufu rwakativinga tisina
kumbotarisira.Nenguva pfupi-pfupi vanhu vakatanga kuuya kuzoungana pamusha pababamukuru
pandaive.

“Babamukuru vakapindirwa nembavha vakarohwa kusvika pakuzofa. Ko ini ndikapindirwa ndichaitwa


sei?" Mubvunzo uyu waiita seunemhinduro iri pachena asi ini pachangu ndaitadza kuigamuchira.

***** ***** *****

Vanhu vaive panze pandaive ndakadongorera vaive varume chaivo. Ndega ndakazvionera kuti kurwisana
navo kunenge kuri kuzvigokera moto muziso. Nekusagona kurwa kwangu ndaizoitwa kanyama-kanyama
chete. Kana zviri zvekurwa zvaive kure-kure neni. Ndaingoziva zvekumhan'ara kuna baba kana kuna
Mukoma Tendai chete. Dai paive nehwindo risiri kuvharanda ingadai ndakasvetuka ndikatiza zvino imba
yacho yaingove nemahwindo maviri aive kumberi nerimwe raive kukamuri yekuseri. Dai kamuri yekuseri
yacho yaive nedhoo remukati zvaive nani zvino yaingove nerimwechete raive panze.

Hongu ndikarwisana nezvikara zvaive panze ndaizoitwa kanyama-kanyama ndikasiya nyemba asi ko
ndikasazvirwisa ndaizoitwa sei? Pane pazvaizotora zvazvinoda zvondisiya ndisina zvandaitwa here?
Chokwadi panguva iyi ndaive parumananzombe.

Ndaingozviudza kuti Nyadenga ndivo vaiziva kuchawira nedohwe. Pachokwadi ndaive munhu aitenda
kunaMwari zvakanyanya. Chandaiziva chaive chekuti kunyange zviome sei Mwari vaizoratidza ukuru
hwavo. Ndakapinda muimwe kamuri ndokunyengetera zvekare;

“Mwari ndinoziva muri Mwari veminana.

Panguva yakaoma munoita zviratidzo.

Tarirai ndaiswa pakamanikana.


“Kana riri simba rinenge raSamusoni.

Kana chiri chipo chinenge chaDhavhiti.

Kana uri uchenjeri hunenge hwaSoromoni.

Kana zvichikodzera zvose zviisei mukati mangu.

Ameni."

Ndakabuda ndakazvishingisa ndokubuda mukamuri mandaive ndakabata puranga. Ndainge ndazvipira


kurwa nevarume vaive panze. Mupfungwa dzangu ndaingofunga kuti Mwari vachaita minana
yavaisimboita muhondo dzakanyorwa mumagwaro eBhaibheri. Ndakamira seri kwegonhi ndakagadzirira
kurova munhu anenge atanga kupinda mumba mandaive.

Ndakafunga zano rekudzima mwenje waive mumba mandaive. Ndakaudzima ndokumira seri kwegonhi.
Ndakayerera tumisodzi tweshungu. Ndakaona gonhi richiita zvekudonhera mumba.

End of chapter 1

To continue contact Bhamubooks

0786 529 922/ 0719 305 957

bhamucleopas9@gmail.com

Novel Readers telegram channel

Link: https://t.me/bhamubooks

You might also like