You are on page 1of 1727

SHADOWS OF MY HEART

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
+263784507806

*CHAPTER 1*

*LISA*

Kubva pakafa mai vangu pamba panga


pasisina mufaro.Baba vanga vakugara
vakadhakwa vaibatika manheru
chete.Zvakaita kuti ndigare ndichidzingwa
kuchikoro nenyaya yekusabhadhara
mafees.Mumhuri medu taingozvarwa tiri
vaviri neka lil sister kangu Nokutenda
kanga kava mugrade 7.Baba vakaramba
kuti tinogara kwamainini vangu mai Ropa
vaizvarwa namama vangu.Baba vakati
vana vangu ndochengeta andide vagare
neumwe munhu.Zvakatondibhowa asi
zvekuita paiva pasina ndaida kunogarawo
namainini kumusha.Ivo mainini ameno
vakaitana sei nababa vangu vakabva
vatiramwa even kuuya kumbotiona
havachauye.Kana dziri hama dzababa
dzaitofunga kuti tiri kugara zvakanaka
kwaaniko mumba maiva musina
mufaro.Noku aigara achichema achingoti
ndasuwa mhamha zvaindibata
bata.Makuseni takamukira kuita basa
repamba naNoku tikaona baba vamuka
vakuda kutobuda.
"Mamuka sei baba" ndakadaro.

"Ndamuka bhoo wamukawo sei


mwanangu"

"Ndakasimba hangu"

"Muuraye kahuku ako ndaneta


nemufushwa regai ndiende kubhawa uko
tobatana manheru" vakadaro
vakufamba.Baba vangu kubva kare
vainwa asi mama vari vapenyu vainwa
zviri nani asi iko zvino vakuita kunga
vakaroiwa kuswerera doro zuva rese.Mari
ikapera waiona munhu uyo otengesa
mbudzi.Pamba pedu paiva nembudzi
nemombe hazvina hazvo kuwanda
zvatosara zvishoma zvikupedza
kutengeswa naivo baba vanoita kunga
vakakweshwa nhova nedoro.

"Yeeee nhasi tikudya nenyama ndanga


ndaisuwa ini" said Noku achifara ini
zvaisandifadza ndaitofunga zvemari
yekuchikoro.
"Baba kuchikoro kwedu kukudiwa mari
yekuregister takuda kuzonyora isu"
ndakadaro ndakatarisa baba vangu.

"Hoooo zviya ndichakupa mangwana


mwanangu izvozvi ndiri mumashure
menguva" vakadaro vakabva vatoenda.

Takasara takamira naNoku baba vanga


vasisina kana nguva nesu vana
vavo.Noku aidawo mari yekuregister
neniwo panga pakaipa.NaNoku takaenda
kugarden kwatinova takaswera tikaona
nguva dzekubuda kwevana vechikoro
dzakwana.Misodzi yangu yakabuda
ndichiona vamwe vana vachibva
kuchikoro.Noku akaipukuta akandisimbisa
zvake tikatanga kutaura dzimwe
nyaya.Nguva dzakafamba tikatemha
mavergi edu tikaenda kumba.Takasvika
kubata huku yatanga tanzi tiuraye
tikaigadzira zvedu.Noku ndiye akabva
abika ini ndikabika sadza.Zuva iri baba
vakakurumidza kuuya kubva kubhawa
vanga vasina kunyanya kudhakwa
zvavanosiita mazuva ese.Vakasvika
tapedza kubika tikavapakurira sadza
richiri kupisa vakadya zvavo.Isu taidyawo
takapedza tikarongedza mandiro edu.
"Baba mazoti chii nenyaya iya"
ndakadaro.

"Lisa ndiri kuzviziva andidi munhu


anondimhanyira mberi" vakadaro baba
vangu vari busy kubaya pakafoni kavo
kambudzi kanga kakasungwa negata futi.

"Baba mukupindura sis rough vatadzei


tikuda mari yekuregister isu tarisai vamwe
vedu vari kuenda kuchikoro isu takagara"
akadaro Noku.

"Izvozvi mari yacho apana vanangu


ndichaona zvekuita"

"Baba week rino ndiro rekupedzisira hiiiii


musatidaro" ndakadaro ndakuda
kuchema.

"Munoti apana mari asi doro motenga


everyday okay pasina mari ngatitengese
mbudzi mari ivepo" said Noku.

"Apana mbudzi iri kuzotengeswa pano


manzwa handidi anondiendera mberi"
Vakabva vatobuda kuenda kuroom
kwavo.Noku akatanga kundichemera
achiti sis dai mama vari vapenyu.Hama
dzababa dzaiva kure zvekuti taiva tisina
mafoni ekuvaudza zviri kuitika.Takanorara
zvedu nemwana wamai vangu asi
ndaiona tatadza kunyora zvaindirwadza
pamoyo.Mangwana ndakamuka kupfeka
uniform kwakuenda kuchikoro Noku
ndakamusiya pamba anga
akatsamwa.Ndakasvika ndikatodzoserwa
zvichinzi wozouya nemari atleast
kumbouya hako neshoma.Chirweti
chacho changa chanyanya.Ndakadzoka
kumba ndikasvika Noku achiverenga
hake.
"Ko madzingwa futi here sis"

"Ehe pakaipa shaa ko mudhara


dzaendepi" ndakabvunza.

"Ameno dzangobuda padzapedza kunwa


tea dzangoti Lisa aripi chete"

"Saka wadziti ndiripi"


"Ndadziti aenda kuchikoro adzina
kuzopindura chingwa chenyu
ndakachivhara mupoto yekango iya"

Ndakapinda mukitchen ndikabika tea


ndikarova chingwa changu.Yanga isina
mukaka hayo atleast shuga inayo
.Ndapedza ndakatora book rangu
ndikatanga kuverenga ndakagara kuseri
kweimba. Ndakabva ndangobatwa
nehope ndikazopepuka nemhere
yakaridza Noku.

"Ko chiii Noku uri kuchemei huya ugare


apa" ndakadaro ndaona akamira kure
neni.

"Sis ibvai ipapo honai nyoka iyo sis tizai


kani"

Ndakatarisa ndikaona hezvo nyoka yanga


yava pedyo neni.Ndakajambira kuna
Noku ndikatanga kudaidzira nyoka
nyoka.Yanga isina kunyanya kukura
zvayo nyoka iyoyo asi chinhu chonzi
nyoka chongotyisa.Ini ndaidzitya andidi
kunyepa.Vamwe vakomana vaifamba
kuroad ndivo vakamhanya
kuiraya.Takavatenda vakubuda
vakasangana nababa vangu vachipinda
gate.

"Ko makatanga rini kuita chihure heee


ndoda kumbokurovai mese mofunga
mukamera tumazamo makura here"
vakadaro baba vangu.

"No baba tavadaidza kuti vatiuraire nyoka


yanga ichida kuruma sis Lisa"said Noku.
Akavaratidza patanga tichipisa nyoka
iya.Baba vakabva vadzikama vakapinda
mumba vanga vakabata doro
ravo.Vakatora chair vakauya kugara
panze vachinzwa zvavo doro ravo.

"One wenyu ndiye achanyora gore rino


ndangoona mari yemunhu umwe chete,
umwe achanyora next year" vakadaro
baba ndikarohwa nehana Takabva
tatarisana naNoku.

"Manje tese toda kunyora zvamuri


kutaura hazviite dai matengesa henyu
mbudzi baba ndokumbirawo" said Noku.
"Zvandataura mazvinzwa iwewe Noku
mazuvano wakuda kunyepera kukura
musoro unaona zvichakurovesa izvozvo
wanzwa"

"Horaiti baba ndanyarara hangu"

"Achanyora ndiwe Noku mari iri apa


wobhadhara kuchikoro ndoda upase, Lisa
my daughter usatsamwe wonyora next
year June" said baba.Kutaura chokwadi
zvakandirwadza ndakaona kuti vaita
favour havo apana chandakataura
ndakaramba ndiri zii Even Noku haana
kufara nazvo akati sis ngavanyore havo.

"No my lil sis nyora iwewe zvataura baba


ndizvo chaizvo" ndakadaro
ndichisekerera zvenhema asi
zvakandibata bata hangu.

Ndakasimuka ndikaenda muroom


matairara ndikatanga kuchema
ndirimo.Sei baba vatadza kutengesa
mbudzi kuti tingonyora tese ndakachema
ndichidemba mai vangu vakafa.Noku
akapinda akawana ndichichema
zvakamubata bata.
"Sis Lisa mukachema ndozodii inini
chinyorai henyu sis"

"Handisi kuchema zvekunyora ini


ndikufunga mama dai varipo pasina
zvese izvi hona mainini mai Ropa
havachatide because of baba" ndakadaro
Noku akabudisa musodzi.Ndakaona kuti
ndanga ndabhaiza ndamurangaridza
zvamama.Ndakachinja nyaya tikatanga
kutaura dzimwe mangwana akamukira
kuchikoro hake.Ndaipota ndichimubatsira
pamabook apa.
Mazuva akafamba ndichingogara pamba
ndanga ndava home defender
ndisingachaendi kuchikoro.Asi kuverenga
ndaiverenga hangu kuitira next year June
wacho.Pachimiro ndingori musikana ane
muviri unongoenderana neni
usingashooresi.Ndiri mutema kwete
zvakanyanya pari pakunaka handizive
kuti ndiri papi hangu apana
akambondiudza kuti ndakanaka kunze
kwaNoku namai vangu vachiri
vapenyu.Ndanga ndisati ndakura
zvakanyanya ndakadya makisimusi 20
hangu.Noku anga adya makisimu 14 aiva
nebody hombe zvekuti ukamuona
unozviramba kuti kagrade 7.
"Baba shuga yapera nemafuta ekubikisa"
ndakadaro.

"Okay ndichauya nazvo manheru"

"Manheru kure kwese uko todyei masikati


inga mozviziva toda kudya isu"
ndakadaro.

Vakabudisa mari vakandipa ndikamhanya


kuenda kumagirosa kunotenga
zvakashota pamba.Baba vaimboshanda
kune rimwe purazi andizive sei vakasiya
basa tikada kuvabvunza tinoitwa rough.

"Lisa wakudada mazuvano sei usiri kuuya


kuchikoro vamwe takapedza kuregister
isu" akadaro Fadzie wandaidzidza naye.

"Ndakashaiwa mari sahwira ndaitodawo


kunyora ko ukupinda neipi" ndakadaro.
"Kushaya mari makadii kutengesa mbudzi
or huku chaidzo kuti muwane mari"

"Aaah iwe unodawo nyaya"

"Pindura zvandabvunza Lisa" said Fadzie

"Go and ask my father question iyoyo"


ndakadaro ndichiseka zvangu.Fadzie
ndaimuziva aida zvinhu too much
ndaisada kumuudza ,kuti azoparidzira
vanhu kuchikoro manje no.Zvinhu
zvekumba or maproblems emumba
haudzwe vanhu vekunze ungatoudza
hama dzepedyo dzogadzirisa nyaya.

Ndakamhanya kumba ndikasvika kubika


kasadza mudhara vanga vasisipo maybe
vaenda kubhawa.Ndakadya ndikasiya
chaNoku.Noku akabva kuchikoro akadya
sadza rake akandiudza zvaaswera achiita
kuchikoro.

"Sis ndasangana naFadzie andibvunza


kuti sei sis vako vasiri kuenda kuchikoro"
"Wamuti chii"

"Ndangomuti enda unobvunza Lisa


wacho" akadaro.

"Wagona musikana uya anoda zvinhu


maproblems epano haudzwe munhu
ndimbokunzwa kuti waudza vanhu
zvoitika pano ndokurova" ndakadaro.

"Sis handiudze munhu,kana baba


vadzoka ndoda kuvakumbira foni ndoda
kutaura natete ndavasuwa"
"Siyana navo Noku havatide dai vaitida
vaifona vachitaura nesu kana kuuya
kutionawo vamwe vanhu vainyepera
kutida mama vari vapenyu ndakuzviona
hangu"

"Taurai henyu manje vachanyara vaona


tabudirira vanofunga kuti tichiramba tiri
wepasi" akadaro Noku.

Takabuda kuenda kurwizi tikanogeza


hedu ikoko.NaNoku taiwirirana ndingatoti
ndiye anga atori bestfriend yangu
tainzwisisana nemwana wamai
vangu.Paanenge asingaendi kuchikoro
tinenge tiri tese taisasiyana.Baba dzimwe
nguva vaisatouya kumba ameno vairara
kupi.Taisambovabvunza hedu
taingosiyana nazvo as long chikafu
chiripo pamba pedu.

Roita here kana richiita drop your


comments
*Watch out for chapter 2*

[2/25, 5:22 PM] Patricia Kabhinzo:


*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/LXBGdCwuXSi
5z9ttVBgLKV

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587
*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 2*

*LISA*

"Ko Noku baba zvavava ne3 days vasipo


apa hatina mari yechigayo upfu wapera
todii" ndakadaro ndichibvunzawo
munin'ina wangu.Panga pasara hupfu
hwaikwana zuva rimwe chete.

"Tozotangira mangwana paunopera


pacho vanogona kudzoka ava ivo
vamboripi baba vacho"

"Handitozivewo ini"

Takachinja nyaya tikatanga kutaura


dzimwe.Manheru akasvika tikabika zvedu
sadza redu upfu hukabva
hwatopera.Takarara makuseni Noku
akamukira kuenda kuchikoro ini
ndikamukawo kurova basa pamba.Noku
akakurumidza kubva kuchikoro akasvika
ndabika mutakura.Baba vanga vasati
vangouya.Ndanga ndava worried kuti vari
right here kwavari baba vangu ndaivada
chero havo vanga vasina care nesu vana
vavo.

"Baba avasati vangodzoka here handei


pamba pamai Munya tinokumbira foni
tivafonere" akadaro Noku.

"Ngatisiyane navo Noku isu ngatitengese


kahuku ako pane imwe moms yaitoda
huku ndotaura nayo" ndakadaro ndaida
kutengesa kuti tiwane mari yechigayo.

"Ehe apa mafunga mirai ndichinje


tikabate kahuku kacho nemawandiro
adzakaita idzi baba avambozvioni
ngatitore 2 totengesa"

"Noku baba vangatadza kuziva huku


dzavo here chatikuda imari yechigayo
ngatitore one chete"
Ndakaona Noku aitoda zvekuti tibate dziri
2.Noku aida mazepi nedrink ukamupa
mari ndizvo zvaimhanya kunotenga.Noku
akachinja tikatanga kumhanyisa kahuku
kataida kacho.Munongoziva huku
dzechibhoyi dzonetsa kubata kana dzisiri
madzogara.Takaimhanyisa tikanobuda
nayo kuroad imi.Takazoibatira yava kuda
kunopinda muyard yamai Munya vaiva
nechepanext pedu.Huku yacho takabva
tanoitengesera mai Fadzie.Mari yacho
yanga yakati wandei hayo takavavhara
zvedu.Takagaisa pakasara
imwe.Yakasara ndikatengera Noku
mazep nedrink zvaida akafara.
"Type yetumazep utwu handisati
ndamboidya twuri kuita kuvavira zvekuti
unotonzwa kuda kuramba uchitudya
chete"

"Iwewe unopenga chete


handingakutevedzi iwe havasi baba here
avo" ndakabvunza tichibva kuchigaro
ndichipusha saga ranga riri mubhara.

"Aaah ehe ndivo wena" said Noku


achipedzisa mazepi ake.
Takasvika pamba mudhara vakagara
zvavo panze vachirova doro
ravo.Takavakwazisa vakadaira
zvakanaka tikambotaura nyaya navo.

"Ko Noku mazepi nedrink wazvitengerwa


nani"

"Ndatengerwa nasis Lisa" akadaro


Noku.Akazoona kuti adhomoka atotaura
kudhara.Nyaya yanga yachishatira inini
manje.
"Lisa mari waiwana kupi" vakabvunza
baba vangu.Ndakatoona kuti nditaure kuti
tabata huku tikaitengesa ndaizosara ndiri
panguva yakaoma ndaigona kuzorohwa.

"Sorry ndakaita maricho uko


kwandakadiridzira vamwe moms
kugarden kwavo"

"Hooo okay andide uende kumaricho chiii


chamuri kushaya pano nhai Lisa
munenge makushooresa inini"

"Tazvinzwa ko manga muripi"


"Ndanga ndiri kure chaiko
hamungakuzive ndine nyaya dzandaida
kugadzirisa"

"Nyaya dzei idzodzo dzamunobva


manogarako" said Noku.

"Noku ndokurowa wanzwa shut up zip


your mouth hauna kurairwa, iwewe Lisa
udzidzisewo umwe wako hunhu ndoda
vana vanoterera"
Vakabva vatora doro vakarova pasi.Noku
anga atsamwa hake ndakazviona
hangu.Ndakamusimbisa ndichiti zvababa
usazvitevedza ungazvikuwadza
neBP.Ndakatora Noku ndikabuda naye
kuenda kurwizi tiri muroad tikasangana
nevamwe vakomana vaitobva
kumombe.Vaiva Tina naSimba vaifudza
mombe dzaMai Matemba.Mai Matemba
vanga vane zvinhu zvavo vairema
kumusha kwedu.Kumusha kwedu apana
imba yakanakira neyaMai
Matemba.Mombe dzacho dzaiva
dzakawanda dzaifudzwa nevanhu
vaviri.Mai ava vaichengetwa nemwana
wavo wataingonzwa kuti ari Joza.Asi
vaidada havo Mai Matemba vaisataura
nemunhu wese wese pamwe ndozvoita
vanhu vane mari.Simba naTina
vakatanga kutaura nesu ndakatoziva
nyaya yacho kuti vakuda kutipfimba
chete.

"Tinashe uri kunhuwa dikita tanga


wanogeza shaaa wozotaura neni"
akadaro Noku ndakabva ndabvaruka
nekuseka.Tina wacho akabva atanga
kutuka Noku manje zvakapedzerana
Noku ndomuziva haadi kuitirwa dzungu.

Takabva taenderera mberi nerwendo


rwedu naNoku.Takasvika kugeza
tichimhanyisana mumvura kurwizi
kwaizonakidza big time.Fadzie akabva
asvikawo achida kugeza hembe
dzake.Atina kumbomumhoresa akatanga
kugeza hembe dzake ari ziii achiimba
kasong kake ameno kakaimbwa nani.

"Asikana hamusi makutiira noise here"


ndakadaro.

"Oooh sorry ndanga ndisina kumbokuonai


muri pano"

"Aiwa hatisi pano tiri kudenga"


ndakadaro.

"Iwewe Lisa mazuvano wakundijairira


unaona kuti ndichakumamisa chete mira
uone"said Fadzie.

"Unomamisa asina maoko ini andirohwi


nemunhu akaita sewe"

Akabva anditema nesipo ikarova pedyo


nezamu rangu.Ndakamuendera paanga
ari tikatanga kuumburitsana pasi.Ndanga
ndakuita ndichikurirwa Noku akapindirawo
tikamuzhaka Fadzie tikabva tarova pasi
takamusiya akuchema.Haana
nekumbogeza hembe dzacho akadzitora
akaenda kumba kwavo.

Takasvika pamba tikatanga kuseka kuti


tapedzera Fadzie anonyanya
dzungu.Kwanga kwatova kusviba
tikatanga kubika hedu.Takabika sadza
nemufushwa wemunyevhe ukagona
kuubika unonaka.Papera kanguva baba
vakabva vasvika vaine umwe mkadzi
mutsvuku.
"Tracy ava ndivo vana vangu Lisa
naNoku ndovada vana vangu ivava ,imi
ava ndivo vamai venyu muchazotanga
kugara navo manje manje" said baba
kutaura pafair zvakandibhowa.Takanzwa
noise panze tikabuda tikaona hezvo
vanga vari mai Fadzie nemwana wavo.

" VaPotse ndiudzei sei vana venyu varova


mwana wangu ko dai akuvara maiita sei
heee" said Mai Fadzie.Potse ndiyo yaiva
surname yedu ameno kuti takapotsei
kusvika pakunzi ana Potse.
"Arohwa nani nyatsai kutaurai pane nyaya
dzorai hasha mava mkadzi mukuru
imi"said baba.

"Lisa naNoku vandirova kurwizi vese"


said Fadzie.

"Hooo Noku naLisa hamusi kurohwa


nhasi ndoda kukuzvamburai zvimahure
zvevanhu" said baba.

"No Baba Lisa mirai kuita dzungu tangai


matarisa nyaya yacho maside ese munhu
haangorohwi pasina zvaiita iwewe Fadzie
chii chaita urohwe" said mainini Tracy.

"Ndasvika vachigeza vasikana ava


handina kumbotaura navo ndatanga
kuzviimbira uyo Lisa akatanga kunditi
ndikuita noise achitondituka ndikabva
ndamutukawo vese vakabva vauya
kundirova" said Fadzie.

"Kunyeperwa angonzi nasis ukuita noise


iye akatanga kutaura rough atema sis
nesipo vakatanga kurwa nasis vangu ini
pandaona sis vangu vakurohwa ndatoti
andimire" said Noku.
Mainini Tracy vakamira kuside kwedu
ndakazvifarira.Chero vakamira kuside
kwedu zvaisazoita kuti ndivafarire kuti
vaite mai vedu no.Baba vakaitawo
semunhu mkuru vakati vana vangu avana
mhosva.Mai Fadzie vakaenda vakaita
kufuta nehasha.Mainini Tracy avana
kurara vakabva vatorova
pasi.Ndakazoona kuti baba
pavasingabatike vanenge vakavharirwa
naTracy.
Takarara makuseni kanga kari
kaweekend takaenda kunorima rima
kugarden kwedu tikadzoka kubika tea
tikanwa tese nababa.Pasina nguva Mai
Fadzie vakabva vasvika.

"Lisa wakandiita benzi kunditengesera


kahuku kanorwa kamuka kakafa manje
ndipe mari yangu ndinotenga hangu
kwamai Munya"

"Huku ipi iyoyo yamuri kutaura nezvayo"


vakabvunza baba.
*Davie*

"Davie ko sei usina kuuya kubasa 3 days


dzapera idzo" vakabvunza manager
wangu vaDube.
"Sorry tete vangu vakashaya saka ndaiva
kurufu"

"Kana paita problem unotizivisa kubasa


pane kungoenda usina kutaura anyway
crane yakaita breakdown yatova ne3 days
isiri kushanda ndiko kune vamwe vako
kana matadza kuigadzira then I will call
Mr Katema vari kuHarare vaya" said
manager.

"Musatya boss mirai ndinoona zvakamira


sei"
Ndakasimuka ndikabuda ndiriva kasmile
ndaitya pamwe ndogona kuendeswa
kuhearing ka.Chakaita ndirovhe ndanga
ndiri too busy nekamusikana kangu
kakabva SA kwakanga kari.Ndakaswera
ndakakavharira 3 days dzese idzi.Bella
ndaimuda ndanga ndakatoperera paari
chero hazvo ndakamuwana asiri virgin asi
rudo aindipa hake.Ndiye wandaida
kutokanda paden hangu ko kutyei.

Ndanga ndane gore nehalf ndiri


pacompany apa.Ndaiva electrician
makore ndiine 25 hangu.Ndakaenda
kubasa kwangu ndikatora matools angu
ndikaenda kune crane yacho.Ndakasvika
kumbosota sota ndikatoona apa panga
pakaipa zvapo.Takabaya kutea time isati
yangonaka.Ndikafonera musikana wangu
Bella tikambotaura nguva refu, pabasa
pedu apana asingazive kuti ndanga
ndapengesana naBella.Munhu
wandaiwirirana naye pabasa ndiDony.

"Iwewe unenge wakadyiswa naBella


chete madiro aunomuita hazvisi zvega".
"Ndokuti true love manje kwete zvenyu
zvemafake love"

"Musi waucharwadziswa uchazviuraya


iwewe" said Dony.

Break time yakapera tikadzoka pabasa


ndikatanga kuita zvandakadzidza
zvacho.Takapedza nguva tiripo crane
ikazonaka ndakaona manager vakafara
vakanditenda.Isu takabva taenda
kunogara zvedu taingomirira panenge
paita dambudziko tosota.
Mazuva akafamba ndichipengesana
naBella zvekuti imwe weekend
ndakaenda naye kumusha kuna mai
vangu kunoti vazivane.

"Mama uyu ndiBella ndiye achazoita


muroora wenyu"

"Hooo zvakanaka ini apana


chandinopikisa mwanangu kana ariye
wawada you are welcome my daughter"
"Hooo mkoma makuda kuroora here"
kaiva kahanzvadzi kangu kalast born
kainzi Daisy kanga kari kagrade 5.

"Ehe manje manje mufana ava


ndimaiguru vako"

"Maiguru itondibikiraiwo sadza "

Zvakapindirana namama naDaisy.Hatina


kugarisa takabva tadzokera kwedu
kutown changa chasara kuti Bella achindi
introducawo kuna tete vake
vaitaura.Mufamiy medu tinozvarwa tiri
4.Ndiri second born ,first born Hakim ari
kuSA kwaari manager paimwe company
anga ane mari dzake ndiye
akatonditengerawo mota.Hakim ndiye
akamira mira kubva pakafa baba
akandiendesa kufazh ndikaita course
yangu yemagetsi iyi.Third born anga ari
Dean ari kuboarding school ari book
6.Hakim akatanga kushanda mudhara
vachiri vapenyu akagadzira pamba
zvekuti pakuyemurika.Ini pabasa pangu
chandakangokwanisa kutenga imba
mughetto.Mota ndanga ndine one iyoyo
yanga yakanaka yandaidada nayo zvekuti
even yaManager wangu yaisara
pasi.Mota ndanga ndakaitengerwa
naHakim paakandikorotedza kupasa
kwandakaita kuchikoro pandaiita
zvemagetsi.

"Davie ndikuda undirukisewo zvandinazvo


zvashata izvi"

"Okay ndokurukisa my future wife saka


unondi introduca when kuna tete vako"

"Daddy ndichazokuudzai ndava kumba


don't worry"
Ndakamusiya pamba pavo ndikaenda
kwangu ndikasvika kurara.Mai vangu
vakafona vachiti mwanangu kana
wafunga zvekuroora wotofonera Hakim
umuudze.Ndakangoti okay, Hakim anga
ane mkadzi asi vanga vasati vane mwana
ameno chii chainetsa asi vanga vane
gore nemamonths vari vese.Mama
vaitombonetsa nenyaya iyoyo vachiti
vakuda vazukuru.Hakim aingoti vachauya
kana nguva yakwana.

Mazuva akafamba ndichidanana naBella


aiti tete vake havako vari SA ndoku
introduca pavanouya.Vabereki vake
vaigara kumusha saka apa aigara
nemwana watete wake ameno anonzi ani
asi musikana ndongoziva
kumuona.Ndakatanga kurara naBella
ndisingashandise maprotections ndaitoda
aitoita nhumbu yangu
ndaisamborwadziwa ndaimuda mwana
iyeye.Asi ndakaona yaisabata
ndakashaya kuti saka ane problem ndiani
ndini or Bella.Pamwe anogona ari kunwa
mapills ndakamubvunza
akaramba.Ndakabva ndasiyana nazvo asi
hazvina kuchinja rudo rwangu kwaari.
"Davie ko kamunhu kanonzi Ropa
unokaziva here" said Dony.

"Ehe ndokaziva ako kanogara kuma


areas ekupolice uko"

"Kamwana kaya ndiri kukacharma but kari


kundijamuka wena ameno ndoita sei"

"Wakapusa une malines akatonhora


mufana iwewe mira ndichafambira nyaya
dzacho kana zuva rava kuvira uko ndipo
pakanowanza kufamba"ndakadaro.
"Haaa mudhara makuwanza"

Time dzakasvika tikanojegera kaRopa


kaya.Takakaona kakubuda kuenda pane
kamwe kashop ndikatevera kunomira
pedyo nako.

"Aaah sister face yenyu haisi nyowani


kwandiri ndikushaya ndakambokuona
kupi"
"Inini here mkoma munondiziva here"
kakadaro kakanditarisa kanga kari nani
parunako.

"Ehe hausiwe Ropafadzi here ndine


nyaya yandinayo newe"

Ndakatoona kuti kamunhu aka kaitodawo


zvinhu.Ndakatanga kusasa nako then
Bella ameno akabva nepi akasvika
nekurova Ropa mbama yakarira
kumusana...
_Ko Lisa anopona here nababa vake apo
panyaya yehuku_

_itrue love here yaDavie naBella...ko


Ropa uyo asi anozivana naBella here_

*Out of data* musashamisike kuona ndati


ziii

Kana richinakidza drop your comments


mathanks ndaneta nawo...
*Watch out for chapter 3*
[2/25, 5:22 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/LXBGdCwuXSi
5z9ttVBgLKV
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 3*

*LISA*
"Huku yandakatengeserwa naLisa ndiyo
yandiri kutaura iye ari kuzviziva ndipe
mari yangu tione" vakadaro mai
Fadzie.Noku anga anditarisa ini hana
yangu yanga yakurova ndaitya kutohwa
nababa.

"Lisa saka huku dzangu dziri kushota


pano ndiwe uri kutora uchitengesa nhai
uri mwana rudziii heee" vakadaro baba
vangu.
"VaPotse muzopopoterana ndabva
ndikuda mari yangu chete ini"

"Lisa vape ka mari yavo vaende


wakanyararirei" vakadaro baba
vangu.Apa ndanga ndisina kana mari
zvayo.Ndakatanga kuyeredza misodzi
ndakatarisa pasi.

"Sorry baba ndakatengesa huku nekuti


tanga tisina mari yechigayo handisisina
mari yacho" ndakadaro.Ndakaona
ndapihwa mbama nababa vangu
vakatanga kupopota.

"Mari iyoyo uchavapa wega ini andisi


kuzobvisa makatadza kuenda pamai
Munya kunokumbira foni kuti
mundifonere" vakadaro vakabva vabuda
kutorova pasi.

Ndakasara nenyaya ndakatarisana namai


Fadzie.Vakabva vatoti handei unoshanda
kumba kwangu kuti zvikavhane.Andina
kumboramba takaenda tese naNoku asi
ndairwadziwa pamoyo.Sei baba vatadza
kungonzwisisa apa vaida tidyei ivo vanga
vasipo.Takasvika tikatoona fadzie atoripo
achidya magaka.

"Eeh vasikana torai mapiki ayo ndoda


munondicherera bin apo rakareba sewe
Lisa" vakadaro mai Fadzie.

Takatora zvinhu zvacho tikaenda


kunochera apa kwaipisa sei.Noku
munin'ina wangu aindibatsira haana kuda
kundisiya.Takarohwa nenzara tikataurira
mai Fadzie kuti tichamboenda kumba
kunodya avana kumboramba asi vakati
ndakupai 2 days rofana kunga
rapera.Takasvika kubika tikadya zvedu
nemunin'ina wangu.Takadzoka kundima
yedu Fadzie akauya kuti commander
zvinova zvakandibhowa.

"Iwewe ibva pano usada kundibhowa


ndokutema nepiki iyi" ndakadaro.

"Eeh Mbuya Potse itondidzikamirai zivai


muri pahome pangu mukada kufarisa
ndovaudza mama vakakupai rimwe basa"
"Enda unovaudza hatina basa nazvo
tikapedza apa toenda isu"said Noku.

"Ndimi vanhu vachamama mirai muone"

Akabva aenda kunamai vake ameno


zvaakanotaura ikoko Mai vake vakasvika
kurova Noku.Izvozvo ndizvo zvandanga
ndisingadi ndakavapushira mugomba
ratanga tichichera ndikatora Noku
tikarova pasi.Ndanga ndatozviramwa
zvekushanda zvacho zvatovharana
nekurova kwavaita munin'ina wangu.
Takasvika ndikatanga kugeza ndanga
ndadikitira zvisingaite.Ndapedza
ndikachinja dzimwe hembe ndikapfeka
kamwe kadress kandakatengerwa namai
vangu kemaruva so kakanaka chero hako
kanga kari kahombe ndaikada.Ndanga
ndakakatengerwa kutambisa Xmas nako
madays acho.Ndaiva smart hangu chero
ndaisava nehembe dzinoshamisira asi
dzaigara dzakachena.Ndakatanga
kucleana mumba hangu ndaida kugara
ndiri busy ndikashaya zvekuita
ndaizogumisira ndakufungisisa.Mai vangu
vari vapenyu pamba painakidza
taiyemedzwa zvisingaite.Kufa kwavakaita
kwakandirwadza vakangofuma vachiti
musoro ndakangoti mafunnies masikati
munhu akadonha.Tikavaendesa
kuchipatara kwavakandofira ikoko.

Baba namama vaidanana zvavo


vachinzwisisana zvavo.Madays acho
baba vaisanwa doro zvekupenga vaigona
kutenga vonwira paden.Kufa kwakangoita
mama ,baba vakatanga kunwa kunga
munhu akaroiwa havasisina kana care
nesu chavanongofunga idoro ravo.Avana
kana time nesu zvavo zvainyanya
kundibata bata.Zvekunamata
ndakazvigumisira mama vari vapenyu
kana kuchurch tanga tisingachaendi.
"Sis Lisa muri kuchemei tell me chiii
chikunetsa that's why ndisingade
mupfeke this dress rinodzosa ndangariro
dzakudhara" said Noku.Kutokanganwa
kuti misodzo yaiyerera pamatama angu
ndakaipukuta.

"No handisi kuchema ko sei usina kugeza


hausi kuona wakasviba here enda
unogeza uchinje hembe dzako"
ndakadaro.
Kakabva katora bucket kakanogeza
zvako.Pasina nguva anga atopedza
ndidzo nguva dzakasvika baba vangu
vakafuta nehasha.Vakatibata naNoku
vakativharira muroom medu.

"Masiya maitei kumba kwamai fadzie


taurai ndanzwa nyaya yenyu ndiri
kumagirosa uko sei muchindinyadzisa"

"Baba mukaita hasha tinenge takutya isu


kubva pakafa mama mabva machinja
hamuchationi sevana venyu rovai henyu
Mwari vari kuona"ndakadaro
ndakuchema.
"Ini zvekurohwa bodo kuti tatadzei" said
noku.

"Marova Mai Fadzie vatyoka ruoko


pamavapusha mugomba izvozvi vaenda
kuhospital murume wacho aida kutoenda
kumapurisa apa ndinoda kukurovai
makunyanya kuita zvamunoda
muchisvibisa zita rangu"

Takarohwa musi uyu zvekuti shamhu


dzakaguka vakagumisa vakutirova
nebhande ravo.Vakatisiya vakaenda
kubhawa kwavo avana kudzoka manheru
aya.Takaramwa kubika kwacho umwe
naumwe anga ari zii.Takarara tisina
kudya mangwana acho yanga iri Sunday
vanhu vakaenda kumachurch.Baba
ndakavaona vakuuya nababa
vaFadzie.Vakapihwa mbudzi mbiri
vakarova pasi.Baba vakauya patiri
vakatirova mambama.

"Zvakafanana nekuti andina vana muri


kuona mbudzi dzangu dzaenda nekuda
kwenyu kana mukaramba makadai ooh
naMai vangu varere pachuru munofira
mumaoko angu iwewe Lisa wakura ndiwe
unofana kudzora umwe wako"

"I don't care chero kundiuraya andina


basa nazvo ndagara ndakutoda kufa
handina kumbosiyana nemunhu ari
mujeri" ndakadaro.

"Ukuziva ukutaura nani Lisa hee


ndazozviona ndiwe ukudzidzisa noku
zvisina basa manje ini ndinokurova ukafa
itovhara maziromo ako anenge embwa"
said baba vangu ndakaona kuti vanga
vachine bhabharasi chete.
"Baba kana neni kufa andinawo basa
nazvo zvataura sis ishuwa kuti ari kujeri
ari nani" said Noku.

Baba vakaramba vari zii vakatitarisa


vakabva vaenda mumba
mavo.Vakapedza nguva varimo ndofunga
vanga varara chete.Ndakaenda kunoona
kugarden kwedu kwakamira sei muroad
ndikasangana naMai
Matemba.Ndakavamhoresa vakadaira
kunga vasingade.
"Musikana iwewe unogezawo here uri
kunhuwa dikita apa kuzopfeka kunga uri
kuda kubudirwa" said Mai Matemba.Mai
ava vakandibhowa zvavakataura
vanganditi ndonhuwa dikita inini
manje.Inga zvandakapfeka zvakanaka
wani kungoti dress racho raiva
hombe.Ndaisafarira kupfeka zvinhu
zvakabata kana zvinosiya zvidya panze.

"Tongai vana vanyu mai Matemba siyanai


neni andidye kumba kwenyu nxaaa"
ndakadaro.
"Lisa unozviziva ndava munhu mukuru
here ndoda kukuendesa kwasabhuku
nekundituka kwawaita pfutseki kushata
maziso anenge ehuku" vakadaro mai
Matemba.Ndakashaya kuti vaida kuenda
kwasabhuku kunodiii varivo vanditanga.

"Imi mai hamukure makaita sei maziso


anenge ematemba"

Ndakavasiya vakadaro ndikaenda


kugarden kwangu.Ndakasvika hezvo
zvamutori nemombe dzaMai
matemba.Muriwo wanga wadyiwa wese
ndakachema ndikabva ndaenda
kwasabhuku ndikataura nyaya
yangu.Ndakarwadziwa muriwo wangu
wanga wakura sei ndanga ndiri kufunga
kumutengesa.

*Davie*

Ropa akashaya kuti aroverwei


naBella.Bella akatanga kutuka Ropa
kutaura pafair zvakandibhowa ehe
ijealous asi aifana kutanga abvunza pane
kusvika kurova munhu.Dony akasvikawo
achida kunzwa chaitora nzvimbo.

"So Davie uri kundi cheater nethis girl ka"

"Usada kukwidza hasha dzangu wanzwa


ukuda ndikucheater here" ndakadaro.

"Bro musaita hasha plizz Bella anokudai


kungoti ijealous ramubata chete" said
Dony.
"Bella ini andidi kuitirwa dzungu
wazvinzwa this girl anodiwa naDony
ndaida kumusotera chete" ndakadaro
ndaiva nehasha dzisingaite.

Ropa apana chaakataura akangobva


asina chaataura ndakaona kuti anga
adhiniwa.Bella akabva akumbira
ruregerero ndikamuregerera ndikabva
ndapihwa kiss ipapo ipapo ndakaziva kuti
ndeyekuda kusvotesa Ropa anga aenda
pashop.Dony akaenda pana Ropa
akashaudwa ndakaziva kuti anga achine
hasha dzekurohwa nabella.
Takaenda kumba kwangu naBella
akasvika kundibikira.Takadya tese
tikambotandara kwasviba bbe rakuda
kubuda ndakarova zvinhu.Akabuda
ndikasara ndakarara zvangu Bella
ndanga ndakuda kutomukanda pakitchen
mwana aindiitira hake.

Mazuva akafamba naBella taidanana


zvekuti taimbosvika pastage
yekutombochinjana mafoni.Rudo rwedu
rwaindeka mukaona musati masvika
palevel yekuchinja mafoni aiwa muchiri
kumashure.Rimwe zuva ndabva kubasa
ndakaona pamba pangu pakamira umwe
mkadzi.

"Hello ndiwe Davie Matemba here"


vakadaro mai vaya.

"Ehe ndini amai"

"Okay zvakanaka ko musikana anonzi


Bella unomuziva here chii chako"

"She is my girlfriend very soon anenge


ava mkadzi wangu"

"Ehh ndazvinzwa ndokumbirawo


kubvunza kwaari nekuti nezuro
ndakanzwa kuti anga ari pano"

"Ipapo handizozive akabuda kwakusviba


asi haana kusvika here inga ndataura
naye makuseni achiti akasvika ari kumba"
ndakadaro.
"Haana kusvika mukwasha ini ndiri tete
vake ari kudiwa kumba vabereki vake
vakamumirira iye akutotiza zvake
zvakutoita sendiri kumudzidzisa chihure "

Tete vacho avana kumbogarisa vakabva


vaenda.Ndakaedza number dzaBella
dzikaramba ndakanetseka kuti aripi
manje.Ndakatadza kuziva kuti vaziva sei
pamba pangu vakaudzwa nani iye Bella
anga asati ataura navo nezverudo
rwedu.Bella akazobatika manheru
achiuya pamba pangu achikumbira mari
hanzi ndoda kutenga foni nyowani.
"Ko wanga uripi tete vako vaikutsvaga"

"Ndanga ndakaenda kurufu shamwari


yangu yakashaya saka mukundipa here
daddy mari yacho"

"Okay ndokupa mangwana ndamboita


madhiri angu"

"Okay daddy"
Haana kugarisa akabva abuda aita kunga
ari kumhanya mhanya.Ndakamutevera
nemota yangu kumashure ndikaona
munhu akatora imwe direction yepamwe
pamba paigara umwe mukadzi anga
asina murume ndakafunga kuti pamwe
ihama yake ndakabva ndadzoka.

Ndakatanga kuona news hangu.Makuseni


ndakamukira kugraft ndakaona imwe
mota yanga iri pamberi pangu
ndakashaya kuti ndakamboiwana
kupi.Yakabva yabhagura umwe musikana
anga akapfeka uniform yechikoro
akadonhera uko.Mota iyoyo haina kumira
yakatiza.Ndakadzika ndikaona musikana
wacho zvaari kubuda ropa
mumusoro.Ndatarisa chiso kwakuona
ndi......

_ndiani musikana atsikwa uyo ko afa


here_

_ko Lisa anowina here kwaSabhuku_

Drop your comments


*Watch out for chapter 4*
[2/25, 5:22 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/LXBGdCwuXSi
5z9ttVBgLKV

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 4*

*DAVIE*
Ndakatarisa chiso chemwana anga
atsikwa wacho ndikaona ari
Ropa.Ndakaona kuti kumbomira kutanga
kufonera mapurisa zvopedza nguva
munhu achida rubatsiro zvekukurumidza.
Ndakamutora ndikamumhanyisa
kuchipatara anga akuvara musoro kwete
zvakanyanya.Zvakandinetsa sei muridzi
wemota asina kumira paaona kuti atsika
munhu.Iye Ropa akamuka akatanga
kuchema ndakafonera vabereki vake
vakauya kumuona.Vakanditenda nerudo
rwandanga ndaita kumwana wavo.

Ndakasvika pabasa pangu tikaenda


pabrief pakataurwa
zvesafety.Kuzvichengetedza pabasa
nekuva neunity pakataurwa
zvakawanda.Pabasa pandaishanda paiva
paBTL (Boarder Timber Limted) paiitwa
nezve timber.Zuva iri takaswera tiri busy
nebasa.Ndakachaisa ndikaenda kughetto
kwangu.Ndakagadzira imwe socket yanga
yakafa panext door pangu ndikapihwa
kamari.Pakauya umwe mufesi anga ane
DVD raida kugadzirwa.MaDVD ndaisota
kwaiva kubasa nemaTV.Ndakasota DVD
rake ndikapihwa bag
ndakamudhurisira.Pepera nguva Bella
akauya achiti auya kumari yefoni.

"Wait nditaurire blaz vangu vari SA


vanditumire foni ndokupa iyoyo"
ndakadaro.

"Aaah Davie ndoda kutenga ndega ini"

"Manje ini ndikuda kukutengera kana


waramba yeSA mira tizotenga mutown
umo" ndakadaro

Bella akada kumboita tunharo mari


ndaisada kumupa ndaida kumutengera
foni yacho ndega.Kwete kuti
ndaisamutrusta asi ndaitya anogona
kunyudzwa mutown ka umu.Bella
akandibikira akabva adzoka kumba
kwavo.Mangwana acho ngoma ndiyoyo
kubasa.Pandakabva kubasa Bella akauya
kunditora tikaenda mutown tikaswera
tichifara ikoko.Kana iri foni yangu yanga
yakaita kuzara mapics aBella chete
chete.Ndakazomuperekedza kumba
kwavo achindiudza kuti tete vake vakuda
kuzodzokera futi kuSA achandi introduca
kwavari soon akuda kutanga ataura navo.

"Saka daddy makandinyepera foni yangu


iyi haichagari nemoto"

"Kutozvikangawa mira ndichaita plan very


soon ndikuda kuti blaz vanditumire
kwavari dzakachipa"
"Okay daddy asi please don't cheat me
pauri ndakaperera pauri ndorova munhu"
akadaro takamira pamota pangu.

Ndakamubata tikambodyana miromo


kwenguva yakareba tikazosiyana taona
mwana watete vake achiuya kwatiri.
Akangoseka achitora Bella ndikabaya
pamba pangu.Apa ndanga ndakuchida
kutanga kuunganidza mari
yekuroora.Ndaisahora mari inoshamira
asi yaiva nani ndobvisawo pashoma
pandinapo.Chandakaramba kutora
mwana wevanhu kugara naye
mahara.Zvakanaka kungobvisawo
pashoma paunapo ndizvo zvinoratidza
kuti unoda umwe wako.Mkadzi
anofeelawo zviri nani ,musi waanoita
dambudziko usina chawakabvisa kumba
kwake ndipo paunozoona kuti dzungu ari
bhadhare.

Mazuva akafamba foni ikatumirwa


naHakim yanga yakanaka zvayo
kutopfuura yangu.Ndakamupa Bella
akafara seachabata denga.Ndakaona
mufaro wake pachiso chake apa ndanga
ndazofadza mkadzi wangu.
Ndipo paunonzwa umwe achiti hee hee
relationship is not about money.Ungaruka
musoro nemafeelings here ndidairei,ko
KFC nemalays unotenga nerespect here,
ungatenga jumpsuit necommunication
here.Chingodanana nemunhu wauno
afforder kanhai kwete kuswera kutiitira
noise hee kari kuda kungondirova
bag.Munhu ane bag chaiye haamire
kukumbirwa.Iwewe wega unoonawo
musikana wako anoda data unoda apihwe
nani.

Ndakasangana naRopa akapfeka hat


mumusoro mune bandage.Ndakataura
naye zvishoma akati anga ava
nani.Ndakamubvunza wakaona munhu
akakutsika here akati hapana chaakaona
akazongoona adhumwa nemota.Dean
mufana wangu akavhara fazh akauya
kumba kwangu.Dean anga ari cool
munhu uya anga ari free alakasiyana neni
pakuti ini ndaikurumidza kutsamwa plus
hasha too much.

"Bro ko Bella mukuita sei naye chikandai


paden ka"

"Haaa very soon ndikumirira kuuya


kwaHakim"
"Hooo pakanaka rega ndimborova
marounds nana boys vangu" akadaro
achibuda kuenda kune team rake raiva
ramumirira panze.Ndakasara ndisona
trouse rangu rabvaruka pakati.Foni yangu
ikapinda call ndikaona inew
number,pandakadaira ndakanzwa ivoice
Bella ndakashamisika kunzwa achiti
a.......

*LISA POTSE*
Muriwo wangu wakadyiwa nemombe
dzamai Matemba wakandirwadza handidi
kunyepa.Ndaiti ndichawanawo kamari
kangu kana ndatengesa muriwo
wangu.Ndaichema ndichienda
kwaSabhuku ndakasvika vasipo
ndikasvika pana mai Sabhuku vakaona
ndichichema.Vaimbova sahwira wamai
vangu vanga vasina utsinye nevanhu mai
ava.Ndakavaudza nyaya yangu
vakarwadziwa nazvo.

"Mai Matemba hakasi kekutanga aka


mombe dzavo dzakapaza futi kugarden
kwana Majokota uko usatya mwanangu
ndichatuma Natasha azokubatsirawo
kufenza garden rako nekusima umwe"
vakadaro mai Natty.Natty aiva third born
yavo.Vekutanga vakaroora vakomana
vese.NaNatty taisanyanya kuwirirana
hedu asi aisadada hake munhu aiva free
aigara pamba namai vake anga
asingachaendi kuchikoro akati chikoro
chaimunetsa aida kuzotsvagirwa zvekuita
hake kana kacourse zvako.Ndakavatenda
mai Natty ndikaenda kumba kwedu Natty
akandiperekedza achindisimbisa.

"Lisa I know zvakubata bata don't worry


baba vangu vachavapa size yavo mai
Matemba ivava vanofarisa vanofunga
vakaita mari vakushamisira munhu
akatanga kuita mari zuro uno" akadaro

"I hope vachatonga zvakanaka nyaya iyi"

Natty akadzoka asvika pagate


pedu.Ndakapinda muyard medu ndikaona
Noku achisuka mandiro.Ndakamuudza
kuti garden rese radyiwa akabatikana
nazvo.Baba vanga vasipo apana
chavaiziva kuti vane hanya nesu
here.Mudhara vakadzoka manheru
vakaita kupera nedoro imi apa vaitaurisa
sei zvakandibhowa.
"Iwe Risa mukai apo ndipei saadza
rangu" vakadaro vakaita kupera.

"Asi baba chiii nemi hatina kubika renyu


inga wani pamabva mati tisabika
nerenyu" akadaro Noku.

"Futseki hure kushata kutodza ana


Majokota nhasi pano apararwe ndipei
sadza rangu" vakadaro vachiita
kudaidzisa.Takabuda mukitchen
tikanozvivharira muroom medu tikarara
Noku akatanga kuchema achiti mama
kani.Ndakamunyaradza ndikatanga
kutaura naye dzimwe nyaya baba
vakauya kugogodza door redu zvehasha.

"Ndiani wamuri kutaura naye imomo


makutorarwa vana vakadai kuunza
zvikomana zvenyu pamba pangu here
vhurai apa iwe Risa" vakadaro baba
vachidaidzira apana akavadaira
takaramba tiziri zii zvedu takabatidza
candle redu.

Vakagogodza vakasvika pakuneta tikabva


tarara zvedu.Makuseni Noku haana
kuenda kuchikoro akati musoro wake
wairwadza.Ndakaita basa rese pamba
ndikaenda kumba kwaSabhuku
ndikavaudza nyaya yangu vakati vanga
vamboinzwa namai Natty.Zvikanzi nyaya
yacho taizoitonga very soon izvozvi
pmndiri too busy.Mai Matemba andina
kumbovaudza ndakazoona vauya kumba
kwedu vakaita kusunga chiso ndikaziva
vazozvinzwa.

"Lisa ukuda kusvibisa zita rangu ka iwe


ndakazviona kuti vanhu vekwaPotse
morwadziwa neni manje tichaona ndiyani
anonyura shit you are useless poor girl"
said Mai Matemba.

"Eeeh ehe ndiri poor ndiri useless


kwamuri imi imbwa yemunhu kushata
mahobi" ndakadaro ndakaona Noku
amuka kuona chaitora nzvimbo.Mai
Matemba vakatanga kupopota vachida
kundirova ini ndikati unonyepa ndiri
pahome andina defeat.Takatukana
zvekuti Mai Munya vepanext ndivo
vakazouya kumisa bopoto racho.

"Mai Munya imimi ndimi mondiziva ndine


problem nemunhu here mai ava vadyisa
garden nemombe dzavo ndikataura
kwasabhuku vakuuya kunditi useless girl
wat wat manje neni tosvitsana kumapena
musandiona kunyarara mofunga
ndakapusa" ndakadaro ndichiita
kudaidzira.
"Mai Matemba ndokumbirawo muende
kumba kwenyu now sei musina moyo
wekubereka munoshungurudzirei nherera
iyi hee budai gate tione" vakadaro Mai
Munya.

"Ana mai Munya musapinde


pamusingakwane manzwa" vakadaro
vachibuda gate mai Matemba.

"Lisa mwanangu kana someone


akakunganisira please usaita hasha
ukatuka kana kurova apana zvazvobatsira
wagona waenda kunotaura kwaSabhuku
mai ava vanoroya masikati machena"
said Mai Munya.Vakatisimbisa vakaenda
kumba kwavo.Hasha dzakamboita nani
dai mai Matemba varamba varipo ndaiva
rova chete.Mai ivava vanga vakura asi
vaida kuzviita mwana mudiki kuda
kutokwikwidzana nesu.

Baba vakauya nehure ravo Tracy.Vanga


vasina kunyanya kudhakwa Tracy kuzoda
kutaura nesu ndakaramba ndiri zii even
Noku akarambawo akanyarara.

"Baba garden redu radyiwa nemombe


dzamai Matemba"
"Mai Matemba vanofarisa mhani mira
ndoda kunovabvisa chiri kumeso"
vakadaro baba vangu vakadzikamiswa
naTracy wavo.

Ndakabuda kuenda kunogara seri


kwemba kwanga kune mwedzi Noku
akateverawo.Takatanga kutaura nyaya
musoro wake wanga wava
nani.Ndakanzwa Tracy akuti akuenda
ndakaziva kuti ainyara kurara pamba
pedu chete nekuti taivapo.Manje neni
haapagare chete.Mazuva akafamba
nyaya yedu ikatongwa asi matongerwo
ayakaitwa andina kumafarira ndini
ndanga ndakuita kunga ndine
mhosva.Ndakaona kuti Sabhuku vanga
vatengwa chete shuwa kusaita mari
kwakashata.Mai Natty vakarwadziwa
apana zvakavakwanisa kuita asi vakati
ndichatuma Natty akubatsire kufenza
nekusima imwe vakandipa mbeu.Kutaura
chokwadi yangu yaisapera yakadaro.

Manheru ndakaenda kudanga kwedu


ndikavhurira mombe ndikadzipinza
mugarden ramai Matemba maiyevedza
macarotts avo ndikabvisa bvisa
ndichirasa uko,mamwe acho ndikatora
kuenda navo kumba.Ndakabudisa
mombe dzangu dzaguta ndikadziendesa
kudanga dzaisambonetsa.

"Ko sis muri kubvepi"

"Haa ndaisawo mombe mugarden mamai


Matemba zvadyiwa zvese kana ari
macarrots ndamarova ooh mamwe aya"
ndakadaro ndichimupa.

"Haaaa sis Lisa mune nharo haaa


ndasarenda asi magona mai vaya
vanoonererwa"
Takabva tarara tichitaura nyaya tichiseka
makuseni Noku akamukira kunotenga
mushonga wezino kwevamwe mbuya
paiva nekamufambo,anga atumwa
nababa.Ini ndikaenda kuhuni
kwandakaswera ndichidya
matohwe.Ndakaenda kumba ndikasvika
pamba pakamira mota.Ndakatarisa
ndikaona hezvo ndimai Matemba mwana
wavo Dean.

"mama ndiko kamunhu kacho aka here"


akadaro Dean akandinongedza.

"Ehe ndiye iwe Lisa ndikuzviziva ndiwe


wakadyisa garden rangu manheru manje
yangu haiperi zvekudaro uri kuzvishandira
zvawakaita pasina izvozvo uchazoona
kuti vakafa vakazorora"

"Lisa unoziva ndaikuona semunhu kwaye


ndaiti une hunhu une shuwa kukwidza BP
yamai vangu ini ,mama siyanai naye
Mwari vachamutonga chitema
hachidzorwi"

Mudhara vakabva vasvika vanga vasina


kudhakwa.Vakaona mai matemba pamba
vakatanga kutuka mai Matemba.Panga
patova neruverengo pakati pedu nemhuri
yekwaMatemba ndizvo
zvandakatoona.Ndakaramba ndiri ziii
hangu.

"Mama please calm down siyanai


nevanhu ava" said Dean.

"Iwewe wakapusawo uri kufara nezvaitwa


garden redu here dai Davie aripo hake
mufonere auye ndiye akasima macarrots
ayo"

"No mama zvimwe ndezvekunzwisisa


please" said Dean.
Mai vacho vaitova nenharo vakafonera
Davie wacho.Ndabva ndamuziva hangu
that guy aisema vasikana vemuvillage
medu.Iyeye anga akatodza Mai vake
kudada kwacho.Asi Hakim nevamwe ava
vanga vari bhoo zvavo kungoti vaiva
namai benzi.Vakazobuda vakumhanyiswa
nedemo ndibaba vangu.Vakasiya mota
yavo pamba pedu.

"Imi huyai mutore chimugweje chenyu ichi


hachishamisire ini nditori nengoro mbiri
dziri seri kweimba dzandakashanda
neziya rangu kwete zvenyu zvakuromba"
said dad.

Dean akadzoka akatora mota yavo


vakarova pasi.

_Davie akanzwei pakafona Bella_

_Lisa ari kutembei chaizvo ko Davie


akauya achaipedza here nyaya iyi_
Drop.your.comments.please.

*WATCH OUT FOR CHAPTER 5*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/LXBGdCwuXSi
5z9ttVBgLKV
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 5*

*Davie*
Ndakashamika kunzwa Bella achiti abirwa
foni yandakamutengera ndakapera
simba.Ndakanzwa hasha why musikana
uyu ari so careless.

"Daddy sorry ndazotoishaya pandadzika


mucombi ndarwadziwa" akadaro
achichema.

"Saka chii chaunochema apa itonyarara


hako unoziva foni iyoyo yakadhura iwe
wakutorasa nxaaa uri careless"
ndakadaro ndakabva ndakata foni yacho.

Foni iyoyo dai aiziva yakadhura sei


aisamboita hucareless hwake.Hakim
ndiye akatenga hake asi akandiudza kuti
yaidhura asi ndangokutengera hangu
semwana wamai vangu dai ari mumwe
munhu ndisina kutenga.Dai aiziva ifoni
yebbe haaa aitsamwa.Bella akafona
ndikamuignowa ndikatodzima foni
yacho.Ndakabuda ndikae nda kubhawa
kunonwa zvangu mabeer kumbobvisa
stress.Ndakarova ndikatanga kuenda
kumba zvangu ndanga ndatotenga rimwe
rekunwira kumba.Ndakasvika mufana
wangu Dean aripo achiona news achidya
anga atobika kudhara.Ndanga ndisina
kumbonyanya kudhakwa hangu.

"Ko blaz muchiri kunwa haaa mkoma


Hakim vakazvinzwa handifunge
munowirirana ini" said Dean.

"Kunwa hakurambidzwe munhu shaaa iye


Hakim anoda kunditonga kuti ndibaba
vangu here" ndakadaro.

"Haaa rinenge rapinda mubrain manje


gud nyt ndakunorara mangwana
ndikumukira kuenda kumusha kuna
moms"

"Enda wagara haudi kusiyana namama


unoita kunga unoyamwa mese naDaisy"
ndakadaro.

"Haisi nyaya yekuti ndikufambira mama


asi pane kamunhu kandiri kunotaimira"

"Kamunhu kapi ikako" ndakadaro


ndichinwa zvangu.

"Haa hatingataure mazita ndakatanga


kukada kachiri kadiki manje kakura
ndakuda kukasofta"

Doro rakazogumisira randibata zvekuti


zvanga zvakutaura Dean ndanga
ndichambozvinzwa here.Anga akutaura
ega akazoenda kunorara kuroom
kwake.Ini ndakabva ndarara pasofa
ipapa.Makuseni Dean akamuka achirova
pasi handichazive nguvai.Ndakarovha
kubasa zuva iri, Bella akasvika pamba
ndanga ndakatsamwa ndanga
ndakapfeka kashort
chete.Akandimbundira akuda kundikissa
ndikabva ndamumisa.
"Amana Davie ukuti ndakarasa foni yacho
ndichida here zvikutondirwadza I'm sorry
daddy"

"Bella uri careless chero ndikakuroora


hauna care nezvinhu uchikuziva
ndakakutengera futi neckless iya ukati
handichazive kuti ndakaiisa papi apa
yaidhura sei"

"Daddy I'm not careless ini please trust


me neckless iya inga ndakakuudza kuti
Tera ndiye akaitengesa ndakamurova"
said Bella.Tera anga ari mwana watete
wake vaigara navo.

"Hooo saka apa ndiye aba foni futi"

"Foni yakabiwa mucombi daddy now


ndikubva kurank kunotsvaga combi yacho
conductor wacho ati haana kuiwana"

Mai vangu vakabva vafona ndikataura


navo ndikanzwa vachiti garden rese
rakadyiwa nemombe
dzaPotse.Ndakanzwa hasha zvikatonzi
macarrots andakasiya ndasima
akabviswa ese.Ndakafunga kuda
kuendako kunoona mudhara Potse
akufarisa.Bella akatanga kundibata bata
aiziva pane weakness
yangu.Zvekutsamwa ndakazviisa paside
ndikatakura munhu wangu naye
kubedroom.Ndikatanga kumubata muviri
wese tikaita mutambo wevakuru.Mwana
aiziva zvaanoita hake aiita kukurunga
chiuno.Ndakaswera ndakamuvharira
tichanakirwa nabbe wangu.Bella akabva
aenda kwasviba ndikaona munhu adzoka
achichema.

"Ko chiii ukuchemei wadzokerei"


"Ndanzi dzoka kwawabva inguva
dzekusvika kumba here idzi ndaedza
kunyepa kuti ndanga ndiri kwana Talia
manje vamufonera iye Talia akati ari
Gweru hiiiiii"

"Okay bbe don't cry pano pamba pako


ndiwe mai vepano" ndakadaro.

"Daddy I don't know why tete vandiitira


hutsinye kudai mangwana ndodzoka"

Akauya kurara pamakumbo angu


ndichimuudza nyaya dziri so
sweet.Ndaiita kuti asafunga
zvekudzingwa kwake natete
vake.Takaenda kunorara kubedroom
ndikaedzerwa ndichirova zvinhu zvekuti
mangwana acho ndakamuka ndakaneta
kubasa ndikarovha.Ndakaperekedza
Bella ndikanomusiya o pagate
pavo.Ndakaramba ndakamira ndichida
kuona anotambirwa zvakanaka
here.Akanoka tete vake vakavhura
door.Ndakatanga kuona tete vake
vachipopota.

"Handigare nehure pano dzoka


kwawakarara wanzwa pano andichakude
kana wakuda kuroorwa wakadii
kundiudza nekundiratidza mkomana wako
basa kurara netuvakomana uchisvibisa
zita rangu ndini ndonzi handikutsiure hee
iwe Terah huya nebag rehure iri ribve
pano"

Tire wacho haana kuuya nebag


ndakazoona tete vacho vari kanda
kunze.Bella akadzingwa zvandakaona
nemeso angu zvakandirwadza it's
because me.Ndakaenda paari ndikada
kutaura naye akatanga kundirova rova
achichema.Ndakatora kabag kake
ndikakaisa mumota mangu.Bella ndakaita
zvekumusimudza ndikamuisa mumota
ndakaona ziso randakapihwa natete
vacho ranga risina kumira mushe.

Ndakarova mota tikasvika pamba Bella


anga ari zii zvake.Akasvika nekurara
pasofa ndakaona kuti yanga iri stress
chaiyo.

"Davie ndoda hangu kuenda kumba kune


vabereki vangu"

"Chero ukaenda apana


pavachakutambira vatoudzwa kare natete
vako so ingogara pano watova mkadzi
wangu chasara kungobvisira,ndanga
ndisingadi kukuroora nenzira iyi asi
takuita zviripo"

"Hiiiiiiii ndava mkadzi wako ini no no


Davie ndoda kuenda kumba kwedu"

"Okay chienda asi ukadzingwa ikoko


usadzoka pano une nharo"

Ndakamupa mari akaenda kumusha kune


vabereki vake.Ndakaona munhu adzoka
manheru maziso akatsvuka ndikaziva kuti
shasha yadzingwa.Akati adzingwa
vabereki vake vanga vakatsamwa nekuda
kwehunhu hwemwana wavo.Ndiko
kutanga kugara naBella kwandakaita uku
mangwana ndakamukira kubasa
kwangu.Supervisor wangu akandiendesa
kwaHR nenyaya yekurovha kubasa.HR
akati nyaya iyi inofana kuenda kuhearing
next week nekuti hakasi kekutanga
kunzwa nyaya dzako
dzekurovha.Handina kumbopikisa
ndakatoti pakanaka.Ndakadzoka pabasa
pangu tikanogadzira moulder yanga yaita
breakdown nemafitter.Pabasa ndaiva
nyanzvi vepabasa apa vaizviziva kuti Diva
akabata basa anosiya apedza masports.
"Mudhara ko kusandiudzawo kuti
wakatizirwa shaaa haaa ndaizviziva kuti
naBella muchatizisana chete asi paya
ukudya mwana aripo uya" said Dony.

"Aaah wazvinzwa kupi Dony asi


wakuchiva munhu wangu"

"Shoko rinofamba ndosaka ndauya


kubvunza kuti ichokwadi here irumour iyi"
"Ehe shaaa pakaipa ndosaka ndakarovha
2 days idzi"

"Saka pakaipa dai ukasatongwa


naGatomu haa uya ane hutsinye"

"Ameno chero vakandidzinga I don't care


ndoenda kunoshanda kuSA kuna blaz
vangu"

"Havambokudzinge company inenge yaita


loss uri chibaba panyaya dzemagetsi idzi"
Takambotaura naDony takachaisa
ndikaenda kumba ndikasvika Bella
achitobika.Akanditambira zvakanaka
zvandakafarira anga ane respect
neni.Chikafu changa chatoibva
ndakapakurirwa ndikadya pakubika
ndingati aiva nani hake asi haanyatsi
kugona ndichamudzidzisa ndega.Mazuva
akafamba zuva rekuhearing rikasvika
then boom Gatomu ndiye aitonga nyaya
yacho.VaGatomu ndivo vaiva Line
manager pacompany apa.
*LISA*

Baba vangu vaitemba nengoro mbiri


ndakaseka hangu.Dean akatora mota
vakarova pasi tikasara tichiseka naNoku
ndanga ndavagonawo vajaira kuda
kushungurudza vanhu.Manje neni
tosvitsana kumapena andina
wandinokwata chero vakomana
vemuvillage medu vaitoziva kuti
handisvikirwe zvechi dzungu
dzungu.Baba vakapinda mumba ndikaona
vatora bag ravo vakauya patiri.
"Lisa wakura ndiwe unofana kumonitor
umwe wako ndoda vana vanoterera muri
kuzvinzwa ndiri kuenda kuChivhu tete
venyu varwara saka ndati rega
ndimbonovaona ndichazofona pafoni
pamai Munya ndotaura nemi" vakadaro
baba vangu.Ndakatopererwawo kuti
ndibaba vangu here vaitaurawo nesu
zvakanaka.Pamwe kurwadziwa neurwere
hwehanzvadzi yavo vangadai varova pasi
vasina kutiudza.Vakanditambidza mari
vakati chinenge chasota wotenga nemari
iyi.

"Zvauriwe upe Noku ndimi mofa nenzara


Noku pfungwa dzake dzakazara mazep
chete chete" vakadaro vachiseka.Vakapa
Noku yemazep ini ndikapihwavo yangu
zuva iri rakandifadza.Ndivo baba vedu
chaivo dai vairamba vakadai kwehupenyu
hwese taisambochema nhamo
pamba.Vakabva varova pasi ndakaona
Noku atomhanya kumagirosa akadzoka
akabata drink rake nemabhisvo nekazep
1 mwana aida hake twonaka.

Akatanga kudya zvake yangu mari


ndakaisungirira ndaida kuzoishandisa
zvine musoro kwete
zvemazepi.Ndakasiya Noku pamba
ndikaenda kugarden kwedu ndikatanga
kumutimba hangu.Natty akabva asvikawo
aitobva kugarden kwavo
akandibatsita.Akatora bhemba tikanotema
matanda ekufensa garden redu
zvakanaka.Takatakura mashoma mamwe
acho takasiya tanga taneta.

"Natty une moyo wakanaka vashoma


vanozvigona izvi dai Mwari varangarira
zvese zvaunoshuwira" ndakadaro.

"Amana Lisa ungabva wadaro here


anyway thanks upenyu hausi
hwekushainirana mangwana
uchandibatsirawo ndawira
padambudziko"
"Haaa shuwa manje ana Mai Matemba
havazvizive manje ndakadyisawo garden
ravo"

"Nyaya yacho ndainzwa hangu


ndatozviziva kuti ndiwe mai Matemba
vanga vauya kuudza baba vangu kuti
mudzingwe muno manje mama
vaipindirana yanetsa nyaya iyoyo"

"Aaah vada kutidzingisa nhai asi mai ava


chimbori chiii avakure vakamboita sei"
"Manje mama vangu vatoti hazviitike
ndichirarama Mai matemba vakapa
mudhara mari paya pawakatongwa mama
ndivo vandiudza usatya ndinomira newe
Lisa mama vako namama vangu vanga
vari mafriends saka isu tavawo
mafriends"

"Ehe Natty thanks"

Ndakaenda kumba ndikasvika pasina


munhu ameno Noku anga
aendepi.Paigara makey ndaipaziva
ndakavhura ndikaona mandiro zvese
zvagenzwa pasina time ndakaona Noku
akatakuta bucket ndikaziva aibva
kumvura.Ndanga ndatya kuti Noku
aindepi ndaida kumutuka type iyi
yakapusa inogona kupfimbirwa
zepi.Chandaimudira anga asina husimbe
hake.Takabika kudya kwemanheru
tikarara.Makuseni takamukira kunoita
basa rekugarden kwedu.Natty akazosvika
tikarova tichiita nyaya.

"Sia ndane nzara ini"

"Okay chienda hako kumba mufana"


ndakadaro akabva aenda.
"Haaa munin'ina wako akafanana newe
zvisingaite zvekuti ukatadza kuona unoti
ndiwe kungoti iye ane body hombe"

"Ehe vari kudya zvakawanda mafuta


vapfana ava" ndakadaro.

Papera nguva Noku akabva auya


nemaheu tikabva tanwa zvedu.Natty anga
ari free ndakafara kuti ndawanawo
shamwari.Mai vake vakauya vakaona
tairova basa vakasiya vandipa mbeu
yemacovo netsunga.Ndakasima
nekudiridza tikapesana naNatty tikaenda
hedu kurwizi naNoku.Takasvika kuona
Fadzie achidhidha neshamwari
dzake.Atina kumbotaura navo takanogeza
nechepamusoro pacho.

Takageza tikapedza takuenda kumba


tava muroad tikasangana nemota
yaifamba naDean ndeyamai
vake.Akamira akadzika akada kutiitira
dzungu.

"Lisa zvawakaita zvakandibhowa izvozvi


mai vangu vakurwara nekuda kwegarden
ravo ndinoti Mwari ave newe"
"Futseki mhani ehe Mwari agara aneni
pahondo dzese ,imimi pamakadyisa
garden rangu munoti andina kurwadziwa
here fakofu mhani musafunga mukaita
kamari makuda kushamisira" ndakadaro.

"Handisi kuda zvenharo newe Lisa


ndauya kutaura newe mune zvakanaka
iwewe pawakaona garden rako radyiwa
nemombe dzedu wakadiii kutanga wauya
kutaura namama vangu pane kutanga
kumhanya kwasabhuku ndiwe wakaita
dzungu atina kuisa mombe mugarden
mako tichida asi iwewe wakaisa mombe
mugarden medu uchida whatever
zvawataura uchaonana naDavie muridzi
wekacarrots awakabvisa" said Dean
akabva apinda mumota make
akaivhetemesa tikasara takafushirwa
nedust.Noku anga ari zii apana
chakambotaura hake.

Vanofunga ndinomutya here Davie wacho


ngauye .Ukashaya mai vanhu vane
kakukujairira kavanoita so ndakazviona
hangu.Takasvika kumba ndikaona paina
Tracy aine mabag akagara paveranda
pedu.

"Makadiii zvenyu ndimi ani ndokubatsirai


nei" ndakazvibvunzira muedzo hangu.

"Nhai mwanangu hauchatondizive here


ndini mai vako Tracy ko baba vako varipi
foni yavo iri kuramba"

"Baba vakaenda kunoona vamwe mai


vedu uko kutown" akadaro Noku.

"Vamwe mai vapi ivawo ndiudzei Potse


akuda kufarisa manje" said Tracy.
"Manje vatori nenhumbu vari kuuya kuno
saka tava nana mai 2 yeeee" akadaro
Noku ndakabva ndaseka ndakaona atete
Tracy vafuta nehasha vachibaya baya
kafoni kavo.

_ko Davie haadzingwe basa here_

_Davie naBella vachagarisana zvakanaka


here_
_ko Lisa achazowirirana here namai
matemba_

_thanks nemacomments_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 6*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*
https://chat.whatsapp.com/LXBGdCwuXSi
5z9ttVBgLKV

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*CHAPTER 6*

*NATASHA*

"Asi baba zvamakaita zvakashata


hamunzwiriwo nherera idzo tsitsi
nei,ivaiwo nemoyo wekubereka Lisa
naNoku vanonzwisa tsitsi" ndakadaro.
"Shuwa shame vana vasahwira wangu
ndinonzwa kurwadziwa chaizvo baba
Natty handina mufaro nematongero
amakaita nyaya iyi" said mama.

"Ndazvinzwa ipapo pakatadziwa hapo


ndichagadzirisa zvifambe zvakanaka"
ndiwo mashoko akangotauta baba vangu
vachibva vabuda havo.

Ndakasara namai vangu vanogara


vakandiraira vaifunga ndichakazara.Ini
ndaisanyanya kutaura nevanhu ndaigara
ndiri pamba pedu kufamba kwangu
kuenda kumunda
nekuchurch.Ndakamboita umwe
mkomana ainzi Frank ndichiri book
3.Takadanana zvedu kwenguva refu
akatanga kunditi ndiratidzewo kuti
something choratidza kuti
unondida.Ndakaedza zvakawanda iye
akati akuda sex ipapo ndakamboramba
asi akandisofta tikaita ndiko kuenda
kwakaita humhandara hwangu.Kubva
madays iwayo paingondiona anga akuda
kungorara neni.Papera mazuva akabva
amitisa umwe musikana ndakarwadziwa
handide kunyepa.Frank akatiza kuenda
SA achisiya musikana waanga amitisa
futi.Kubva ipapo handina kuda kuzoita futi
zvevakomana nekuti ndaitoona kuti vese
vakangofanana vanongoda kurara newe
vosiya.Saka mama vaigara vakandiraira
ndaiona vaifunga ndichakazara.

Chikoro changa chakaramba pandiri


ndakatoona kuti kugara zviri
nani.Ndakatoudza vabereki vangu kuti
vanditsvagire zvekuita.Pandakaona Lisa
achichema nenyaya yekudyirwa garden
rake ndakarwadziwa
zvisingaite.Ndakatanga kuda kutamba
naye ndichimusimbisa.Takagadzira
garden ravo nekusima zvese zvaanga
achida.NaLisa tanga takuwirirana zvedu
asi iye ndaitoona kuti zvevakomana
aisambozvida asi Noku anga akangwarisa
hake ndaimuona hangu.
Rimwe zuva tiri kumagirosa takasangana
namai Matemba vaine mwana wavo
musikana Daisy.Hatina kumbovamhoresa
takaramba tichifamba ndakaona vabata
Lisa ruoko.

"Usafunga nyaya yako yapera wakadyisa


garden rangu ndikukupa 5 days kuti uuye
kushanda kugadzira garden rangu
nekusima zvawakabvisa" said mai
Matemba.
"Ehe makabvisa macarrots amkoma
Davie mirai muone zvenyu vari kuuya
ndaona watama muno Lisa iwewe Davie
akasiyana naDean"

"Imi zvamakadyisa garden rangu


makauya kugadzira here go to hell
naDavie wenyu nxaa"said Lisa.

"Mai Matemba zvamuri kuita zvakashata


ndinoshaya kuti Lisa akanyatsa
kukutadzirei chaizvo asi mukaramba
makada......" ndakakatwa ndisati
ndapedza kutaura naDaisy.
"Iwewe itonyarara hako usapinda
panyaya dzausingakwani wanzwa
usafunga ukaita mwana wasabhuku
tinokukwata here iwe"said Daisy.

Mai vangu vakataura kuti kukunda


muedzo kunyarara
wosuduruka.Ndakabata Lisa ruoko
tikanogara pasi peumwe muti so
paitonhorera.Takatanga kutaura nyaya
naLisa achindiudza kuti aida kuzoita
nurse.Ndakamuudzawo kuti ini ndaidawo
kuita zvekusona izvi ndipo pane wish
yangu.
"Lisa ndoda urambe uchimonitor Noku
andisi kuti ari kuita zvakashata no mwana
wemusikana achikura anoda
kungorairwavo so saka unomuudzawo
zvehupenyu asafurirwa nevakomana ava"

"Usandityira uyo ndogara ndichitaura


naye kana iri nyaya yevakomana
anondiudza hake vanomunetsa"

"Chanetsa unouya uchiudza mom vangu


ka"
Takasimuka tikatanga kufamba
tichiwanzirana naLisa.

"Haaaa mazimeso Lisa" ndakadaro


ndichiseka.

"Ini ndiri nani iwewe wakafanana nana


Majokota"
"Wawina hako team riya so rakashata
zvekuti apa ronhuhwa hari gezi one
wacho ndakamusvikira akarara naFadzie
musi wandakaenda kuhuni"

"Aaah iti shuwa iwe saka Fadzie


anosemesa hiii"said Lisa.

Takasvika pamba pavo ndikamusiya


pagate ndakuenda kwedu ndikasangana
naDean muroad.Handina kumumhoresa
iye akandimhoresa ndika mu ignowa
vanhu vekwaMatemba ndanga
ndavavenga andidi kunyepa.Vane
hutsinye vanoda kakudzikisira vamwe
pasi.Ndakaramba ndichifamba ndikaona
Dean akunditevera kumashure akasvika
kumira pamberi pangu.

"Dean unodei kwandiri kuku ignowa


kwandaita isign yekuti handisi kuda
kutaura newe" ndakadaro.

"Natty please ndokumbirawo kutaura


newe ko wakandivengerei nhai" akadaro
Dean.Handina kumupindura ndikatanga
kufamba ndikaona munhu auya kundibata
ruoko.Ndakanzwa hasha chaidzo
ndakada kumurova asi ndakazvidzora.

"Dean zvauri kuita handizvide hangu


please leave me alone"

"Just tell me wakandivengerei Natty"

"Ndoda kunouudza baba vangu mira


uone hako"ndakadaro.
"Natty please usataure kani unondipinzisa
busy"

"Kana uchida ndisataura chindisiya ruoko


usanditevera futi" ndakadaro akabva
andisiya ndikaenda kumba kwedu.

Ndakasvika mama vari kukanga


nzungu.Ndakasvika kunokora ndikaisa
muhomwe ndikatanga kudya zvangu.

"Basa rekuda kutora nzungu dzangu


dzandakanga asi iwe kukanga kwacho
haude"said mama.

"Aaah mama matotsamwa here


mononyima imimi"

"Handina kutsamwa ndikungotaurawo


hangu Natty saka apa uri kubvepi"

"Ndanga ndina Lisa tichimbofurwa


nemhepo mama Lisa anonakidza hake
asi atyisidzirwa namai Matemba vakumuti
auye kushanda pamba pavo"
"Kushanda pamba pavo kuti zvidii"

"Hanzi akadyisa garden ravo nemombe"

"Vakamuona here mira nhasi mai ivava


ndoda kuvaona pavashungurudza vana
vasahwira wangu pakwana enough are
enough" vakadaro mama ndakaseka
hangu pachirungu apa.Ndakaona
vasimuka avo kwamai Matemba
ndakavatevera kumashure ndikasvika
kuona hezvo ndiko kuna Noku achiwacha
magumbezi.Ndakaona kuti anga
amanikidzaa chete ndakanomutora
ndikamumbundira akatanga kuchema.Mai
Matemba vakabuda zvavo mumba
vakabata dzimwe hembe mumaoko.

"Mkadzi iwewe kana kuri kurwa nhasi


torwa enough are enough
pawashungurudza vana ava pakwana sei
une hutsinye wakuita revenge pavana
wakadii kupedzerana naLister wacho
achiri mupenyu" vakadaro mama.Lister
aitaurwa ndimama vaLisa.Ndakashaya
kuti irevenge yei yaitaurwa apa.
"Mai Natty nyaya yaLister yakwana papi,
vana ava vakadyisa garden rangu musiyei
aite basa rake ndikunotora umwe wacho
amundimise imimi" vakadaro Dean
akabva apindawo.Akanzwa kwaienda
nyaya paitaura vakuru ava.Ndakaona kuti
pakati pamai matemba namai lisa
namoms vangu pane zvakaitika kudhara
chete.Mai lisa Namama vangu vanga
vasingawirirane namai Matemba.

"Mama stop it ,sorry mai Mai Natty and


Noku munokwanisa kuenda henyu mama
vangu ndosara ndichitaura navo"said
Dean.
"Dean wakapusa iwewe apa ndipo
pandakazvara benzi remwana ndiwe
uchaita basa iri"

Ndakatora mama vangu naNoku tikabuda


takasiya mai nemwana
vachinetsana.Noku takae nda naye
kumba kwedu.Ndikazomuperekedza
kumba kwavo kwasviba ndakasvika Lisa
ari worried ndakamuudza
zvaitika.Ndakaona apinda mumba akatora
demo.
"ko demo woda kuri dii nhai Lisa"

"Mira nhasi topedzerana chete mai ivava


munovajaidza imimi havangashandise
mufana wangu no mhani" akadaro
akubuda ndikamubata.

"Lisa ukadaro Noku anozodzidzei kubva


kwauri, dzora hasha dzako everything will
be okay nyaya yamai Matemba siyana
nayo ndichaudza baba vangu
vanoipedza" ndakadaro.

"Natty uri kudaro nekuti haasi mufana


wako anzwaro tikanyarara mai ivava
vachationa kunga takapusa ndoda
kumbonovavhunditsira chete"

Lisa anga ane nharo ndakamutadza asi


ndakamutorera demo raanga
anaro.Ndakamubata zvekuti asaenda
akazodzikama azonzi naNoku sis siyanai
nazvo Mwari vari kuona havo havasi
hwai.Zuva iri ndakarara pamba pana Lisa
ndaisamutemba anogona kungotemha
munhu.Ndakashaya kuti baba vavo
vambori kupi sei vachisiya vana vavo
vachishungurudzwa so.Ndakashaya kuti
ndobvunza sei apa.Zvanga zvakuitwa
naLisa kunga pane chakamugara chete.

*DAVIE*

Ndakatongwa nyaya yangu asi handina


kudzingwa ndakangopihwa warning
chete.Ndakatanga kushanda nevamwe
zvakanaka pabasa ndanga
ndisingachataurise hangu.Nyaya
yaindinetsa sei Bella nhumbu yaisabata
saka ane problem ndiani pakati
pedu.Zvakafanana nezvaiitika nekuna
Hakim anga asati angova nemwana.Pana
mkoma vangu vanhu vanga vakutaurisa
hanzi akaromba chete sei asina
mwana.Mama vakagumisira vatovenga
Lean mkadzi wamkoma.Ndaivanzwa
hangu vachitaura neDaisy kuti Lean
anenge akabvisa chibereko
chete.Mhamha vangu ndizvo zvavanga
vari munhu uya anotaurisa.

Ndakaenda kumba ndikasvika Bella


atobika achiona hake TV akanditambira
zvakanaka.Musikana wangu ndaimuda
asi nyaya yenhumbu ndiyo yanga
yakunetsa pakati pedu.Ndaitoda kuziva
kuti ane problem ndiani.

"Ko hubby uri kufungei nekunobvisira


kumba kwedu unongobvisa shoma
yaunayo" said Bella.

"Zvinomhanyiswa munhu here


ndichabvisa time yacho yakwana kana
pane mwana pano" ndakadaro
ndakashaya sei ndakaitira mkadzi wangu
hasha.

"Diva panyaya yemwana ndiwe une


problem wanzwa wakundibata rough ka
ndiyo yauri kuda here"

"Bella matauriro awangoita ndiwo


andibhowa saka ukuti handizive kuti
ndikuda kunobvisira here, une proof
inoratidza kuti ndini ndine problem here"
ndakadaro.

"Ehe ndinayo"
"Buritsa tione" ndakararo.

"Sei Hakim asina mwana heee vanhu


vekwaMatemba pane zvamakaita chete
manje ini ndoda kuzvipedza mangwana
tikuenda kun'anga newe tinobatsirwa"
said Bella.

"Futseki mhani usaita zvinhu


zvondibhowa unoswera wava kunze iwe
ngomwa, zvatakaita zvipi ndakaona
vanhu imimi morwadziwa nekubudirira
kwamkoma vangu Bella ndinokurova
wanzwa" ndakadaro ndichitobuda.Kana
chikafu chaanga abika andina kana
kuzombochidya ndakaenda kubhawa
kwandakanonwa zvangu.Pasina time
ndakaona Bella atevera ndakashaya kuti
aziva sei kuti ndiri mubhawa
raHanzu.Akauya pandiri akandibata ruoko
tikabuda panze.

"Diva I'm sorry nezvandaita I love you ini


asi mangwana handei tinobatsirwa
kwaSekuru vaye"

"Bella ko wamboziva sei kuti ndiri kuno


asi uri hure kani zvaunopinda mubhawa
pasina kuvhunduka,uko handiendi
handiite zven'anga zvemwana
zvichazviita zvega siyana nazvo"
ndakadaro.

Bella akaramba akanyarara ndanga


ndanga ndadhakwa manje.Akandiisa
mumota akadriver iye kusvika
kumba.Takasvika ndikanorara asi
ndakambomupa twake manheru
iwayo.Makuseni ndakamuka kuenda
kubasa asi ndakanonoka.Zuva iri
ndakakanganwa zvinhu zvebasa
ndakadzoka kumba ndikasvika munhu
asipo pamba pakatokiwa negate
racho.Ndakanoka ndanoka asi apana
akavhura.Ndakafonera Bella akati ari
mutown ndikamubvunza kuti uri
kunodiii.Munhu akundiudza kuti ane
mafriends ake
zvakandibhowa.Ndakaenda mutown
ndikamuona ari muchicken Inn negirls
raanga anaro chiona dressing unotoona
wega kuti mabitch aya.Bella anga
akapfeka zviri bhoo asi ndaisamboda
atambe nevanhu ava.Ndakamutora
ndikaenda naye kumba.

"Iwewe haubve pano ndisina kukupa


permission uri kuzvinzwa here usiyane
netumahure utwo"

"Mahure api ukwane pano ndobva kuti


wakandibvisira here"

Ndakamupa mbama akada kudzorera


ndikazomurova zvekuti ndakamusiya
akuchema.Ndakasiya ndamukiya gate
kuti asambobuda.Ndakaenda kubasa
kwandakaswera zvakanaka naDony.Asi
akandiudza kuti akazorambwa naRopa.

"Mudhara shingirirai pamwana uya


pamwe kamhandara kaya"
"Mhandara ipi usandisekese mukore uno
kuwana mhandara inyasha " said Dony.

"Dziriko asi kungoti dzava shoma saka


hauchadi Ropa here"

"Handisisina basa nako shaa handisweri


kunyengerera munhu anozozviona
akanyanya"

"Yoooo ndanzwa paweekend ndikuda


kusvika kumusha"

Magetsi akabva aenda generator


rikaramba kumuka.Tikaenda kunosota
sota rikamuka.Pabasa ndaiziva zvisiri
zvekuzvifonera.Takachaisa ndikaenda
nekubhawa kunotenga mabeer angu
ndaida kunomanwira kumba.Ndakasvika
Bella achiona TV apa apana chaanga
abika anga akazvimba muromo.Haana
kana kumbotaura neni.Ndakaona kuti apa
ndanga ndaita hutsinye ndakanzwa
tsitsi.Ndakanopfugama pamberi pake
ndakamutarisa.

"I'm sorry Bella andizive chiii chandibata


very sorry mira ndakuda kunokubvisira,
paweekend ndikunotaura nehama dzangu
nyaya dzacho"

"Watondibhowa Diva whatever


handichatodi kuroorwa newe kuti
uzondirowa futi"

"Handikurovi bbe nzwisisa ameno chiii


chaitikawo paya I love you"

"Ndakatsamwa handidi kutombozvinzwa


izvozvo"
Ndakamusimudza ndikaenda naye
mubedroom mangu ndikatanga kumubata
muviri wese kusvika munhu aibva.Takaita
chivanhu chacho tikanogeza tanga
takuwirirana anga achiti ari kuda
kuendawo neni kumusha andina
kumboramba hangu.Weekend yakasvika
tikaenda kumusha iri Friday
masikati.Takasvika zuva rava
kuvira.Mama vangu vakafara kutiona
even nekahanzvadzi kangu Daisy ameno
Dean anga aripi.

Ndakaenda kugarden naBella


nakaDaisy.Ndikasvika musina chinhu
macarrots angu apasisina ndakanzwa
hasha.

"Ko ndiani akaita izvi" ndakabvunza.

" Lisa Potse ndiye akapinza mombe


dzake akadyisa muriwo wedu macarrots
enyu ndiye akamabvisa akaenda navo
anogara futi achituka mama vakurwara
nemusoro nekuda kwaLisa uyu apa Mai
Natty vari kuside kwake"said Daisy.

"Lisa Potse ndeupi iyeye mwana


wamudhara Potse uya wekumboita mbiri
yekurima here"ndakabvunza.
"Ehe ivavo"

"Saka imi chiendai kumba ndoda kunoona


Lisa wacho"

"Ini andidi ndoda kunomuonawo ane


hunhu hwakafumuka kudaro" said Bella.

"Mkoma mozoenda kwakachena


mangwana"
Takadzoka kumba tikanogara zvedu
panze sezvo kwaipisa.Ndakaona Bella
auya kugara pedyo neni.Ndikamuudza
kuti enda unobika uko.Akasimuka
akanobatsirana natete vake Daisy.Dean
akazosvika chikafu chakutopakurwa.

"Uri kumboswerepi Dean" ndakabvunza.

"Uyu ibenzi panzvimbo yekuti amire neni


mai vake anoita agnaist me zvakaoma
apa ndipo pandakazvara benzi"

"Mhamha chero zvamataura


handingambosiye muchiita zvakashata
kunherera idzo musaita kuti
zvamakatadzirana namai Lisa zvipinde
nekuvana apana chavanoziva" said
Dean.Mhamha vakada kusimuka
kumurova akatiza.

"Ko mama tell me makaitana sei naMai


Lisa"

"Apana zvatakaitana asi vana vake ndivo


vakunditanga vanondituka kundiita
mwana mudiki inini Davie izvozvi BP
yangu yakakwirisa nekuda kwegarden
rangu"
Ndakarwadziwa zvisingaite ndakaona kuti
Dean anga ane problem.Takarara
makuseni ndakamuka ndikaona Bella
achakangorara.Uyu akundinyadzisa
ndosaka ndaisada kuuya
naye.Ndakamumutsa akabva ati ndine
hope.

"Bella sei uchinyadzisa mama vangu


vomuka kuita basa uripo wakarara saka
uri muroora rudzii"

"Hubby ndiri kurwara handisi kunzwa


zvakanaka ndingadai ndamuka kudhara"
Ndakamuka ndikageza ndikaona Bella
ateverawo kana kusambonyarawo.Mama
vangu vakamudaidza iye akaenda pavari.

"Ko uri muroora rudzii anomuka nguva


dzino heee ini andidi zvisina basa hangu"

"Sorry mama handisi kunzwa zvakanaka


musafunga zvisizvo andina husimbe ini"

"Okay zvakanaka kana usina usimbe


uchambosara kuno tichibatsirana
kugarden kwangu uko" vakadaro.

"Ehe anosara mama musatya henyu"


ndakadaro Bella akanditarisa
zvekusvotwa.

Takanwa tea nechingwa chine


Jam.Tapedza ini naBella takaenda kumba
kwana Lisa tikasvika kuona kamwe
kamusikana ndofunga ndiko Lisa
kacho.Saka mama vanga shungurudzwa
nekamunhu aka.

"Ndiwe Lisa here iwe" said Bella.


"Budai kugate uko modzoka moti
tisvikewo hamungosvike pamba pevanhu
zvechidzungu dzungu"said kamusikana
kaya.

"Iwe musikana ndidzikamire unofira


mumaoko angu aya"ndakadaro.

"Hooo zivai kuti muri away pano hamuna


win chibvai pano ndisati ndatsamwa"
akadaro musikana uya.

"Aaah musikana uyu ari kutembei daddy


apa akashata futi honai bvudzi racho
harigenzwi" said Bella.

"Ehe ndakashata bvudzi rangu harigenzwi


ndazvinzwa chibudai muende"
akadaro.Pakabva pasvika kamwe
kamusikana kechidiki kakatakura
bucket.Twanga twakafanana asi uyu
wataitaura naye ndiye aiva ati kurei.

"Saka iwewe ndiwe Lisa"

"Lisa ndini munodei"


"Dirty girl ndiwe hako unoita basa
rekupinza mombe dzako mumagarden
evanhu ndikuda unosima macarrots angu
nezvese zvawakadyisa nemombe dzako
izvozvi kasika tione" ndakadaro.

"Hehehede mukoma dzikamai


makandiona here mune proof inoratidza
kuti ndini ndakapinza mombe mugarden
menyu here ko imi dzenyu dzakadya
garden rangu ndakamboti chii" said Lisa.

"Lisa Lisa usada kukwidza hasha dzangu


handisi kuda kudzokorodza ita
zvandataura"ndakadaro.

"Fakofu mhani hamundivhunditsire


pamba pedu hunhu kufanana mai nxaa"

Ndakamupa mbama akabva adonha


pasi.Zvemunhu anoda kundisaiza ndizvo
zvandaisada manje.Kakasimuka kachida
kundiruma ndikakapa rimwe zenya
kakatanga kuchema ndakaona kamwe
kacho kabuda mumba kakabata
demo.Takamhanyiswa uyo Lisa akatevera
akabata Bella ndiye wakaazorova.Lisa
aimamhanya hake ndoshaya kuti Bella
akatwa sei ipapa.Ndakamira kure
ndikaona Bella ari kuridza mhere
achipurwa neshamu netwana twuya.Vana
ava vaitoita kunga vane mademon
chete.Vakazomiswa naNatty mwana
wasabhuku.

_inopera mushe here nyaya iyo_

*Drop your comments*


*WATCH OUT FOR CHAPTER 7*
[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 7*

*LISA*

Tracy akatakura mabag ake achipinza


mumba ndaida kuona akananga muroom
mupi.Akada kuvhura mubedroom madad
akaona pakakiiwa.Akada kuvhura imwe
room akaona yakakiiwa.Noku akamhanya
kunokiya yedu.Tracy akaisa mabag ake
pasofa.Masofa ekare aya anga ari
mumba medu.Akagara akabata shaya
kunga munhu apererwa.

"Nhai mwanangu Lisa ndivigirewo mvura


yekunwa" said Tracy.Ndakanochera
mvura yacho ndikavapa vakanwa zvavo.

"Lisa ndiudze chokwadi where is your


father sei number dzavo dzikuramba"

"Zvamaudzwa naNoku ndizvo sista Tracy


andizive sei number dzavo dzikuramba"
"Okay ndipei makey eroom iro" vakadaro
vachinongedza room raiva pedyo
neredu.Ndimo maiwanza kurara vaenzi
kana vashanya.

"Makeys anofamba nababa sorry"


ndakadaro.

Tracy akaedza number futi


dzikaramba.Ndakaona munhu atakura
bag rake ndiye hutu akati
achadzoka.Takasara tichifara zvedu
naNoku.Mazuva akafamba life yaifaya
ndanga ndava too close naNatty most of
the time taiswera tese.Vanhu vakatanga
kutaura vachiti tiri mahure.Davie
nemusikana vake vakauya pamba pedu
vakada kundiitira dzungu asi
ndakazopedzera hasha pakamusikana
kacho.Takakarova tese naNoku ndikaona
kakubuda ropa mumhino.Natty ameno
akabvawo nepi ndiye akabata dai zvisizvo
here ndiye aifira zvitadzo zvaDavie.

"Lisa unouraya munhu how many times


ndichikuudza kuti controlla hasha dzako
hona Noku akutevedzera zvaunoita
unoda adzidzei kubva kwauri" said Natty
akanditarisa.Ndanga ndakabata
kamusikana kaya kuti kasapukunyuka.

"Sis Natty manga musipo Davie uyo ndiye


atanga kurova sis vangu vakadonha aka
kaifarisa kachiti sis wangu wakashata"
said Noku.

"Wazvinzwa ka Natty ini andide


zvekujairirwa Davie atumwa namai vake
chete manje neni topedzerana"ndakadaro
Natty akauya kubvisa maoko angu anga
akabata kamusikana kaya.Kakasimuka
kakabva katiza kuenda kwaanga
kwakamira Davie.Natty akatitora tikaenda
kumba kwavo ndikasvika mai vacho
vachitobika sadza zvavo
nechimukuyu.Takapakurirwa asi
takaramba tikati takaguta.Mai vacho
havarambike takazongodya.

"Muri sei vanangu" said mai Natty

"Ini handisi bhoo Davie auya


nekamusikana kake vakarova sis vangu"
said Noku.

"Aaah vauya nguvai vanhu ava


vakuenderera mberi ndichaudza baba
Natty vaite plan nekukurumidza asi now
ndoda kumbotaura namai matemba"
Takasimuka kuenda kwamai matemba
tikasvika vakagara panze vachituka
Dean.Dean wacho anga ari zii ndaishaya
apara yeiko.

"Tisvikewo pano"said mai Natty.

"Ko mai Natty wauya kudiii uri uona zvaita


vana Lisa kurova muroora wangu wozoti
ndine hutsinye inini"

"Ndiye ahakira zvisinei naye ko Davie


zvaandirova madii kuzvitaura" ndakadaro.

Mai Natty vakazama kutaura naMai


Matemba asi havana
kumbonzwisisana.Ndakashaya reason
yavanga vakativengera chaiyo.Davie
ameno akabudawo nepi achitiona
akasvika kundidzinga pamwe chete
naNoku.Hatina kuda kumira takabuda Mai
Natty vakazotevera takavamirira panze.

"Mai ava vane mademon chete mira


vachadzikama chete"said Mai Natty.
"Mai avo munovajaidza imimi"said Noku.

"Ko baba venyu varipi Lisa" said mai


Natty.

"Vakaenda kunoona tete vari kurwara


avo"

Takabuda tikaenda kumba kwamai Naty


kwatinova takaswera zuva
rese.Takazoenda kumba kwedu kwava
kusviba tikasvika kitchen yedu yeuswa
ichitsva.Ndakarohwa upnehana kana ari
Noku anga akutochema ndakadaidza
vanhu vakauya kudira mavhu nemvura
ikadzima hayo asi denga rese ranga
ratsva.Ndakashaya kuti ndiani apisa
kitchen yedu.Mai Munya vakafonera baba
vangu vachivaudza nezvekutsva
kwekitchen.Baba vakazotouya mangwana
acho.Ndakaona murume mkuru abata
musoro.

"Ko ndiani akaita izvi ko pazvakaitika


manga muripi Lisa"said baba.
"Tanga taenda kugarden baba"
ndakadaro.

"Akuna umwe ndimai Matemba chete


handivachenesi panyaya iyi" said Noku.

"Endesai nyaya kwaSabhuku"

"Sabhuku wei ndiye anodiii akadhakwa


uyo" said baba vangu.
Vakabuditsa nyama yemombe yavanga
vauya nayo tikaisasika pamoto.Vakabva
vabuda andizive vakaendepi ndakaona
vakuuya vakabata doro ravo.Vakanogara
seri kwemba vakati ndibikirewo
kasadza.Takavabikira sadza ravaida
racho nenyama.Isu takadyawo
tichivabvunza kuti tete masiya vari sei.

"Tete venyu vava nani,ko pane


akambosvika achinditsvaga here"

"Ehe Tracy ndiye akasvika pano"


Tracy wacho kuita kunga aifemerwa
akabva asvikawo.Achiona baba vangu
akavatarisa asina chaataura
akafinyama.Isu takaramba tichidya Tracy
takaona abuda ameno kuti
akaendepi.Pasina time takaona munhu
auya nemabag ake.Baba vakasimuka
vakanotaura vese taingonzwa
kupopotedzana kuti paisava
nekuwirirana.Tracy ndiye aive nenzwi riri
pamusoro.

"Iwe Lisa makaudza mai venyu kuti


ndakaendepi"
"Takavaudza kuti makaenda kunoona tete
" ndakadaro.

"vana imi musada kundinzwa aka kadiki


ndiko kakati baba vaenda kunoona
vamwe mai vedu saka ukuti mwana
anonyepa here" said Tracy.

"Nokutenda zvawakataura wakazviona


kupi usazotaura zvausingazive
ndinoribvisa zidzoro iro" vakadaro baba
vakatora Tracy wavo vakapinda mumba.
Takangotarisana naNoku tikabuda
kunochera mvura tikasangana naDean
achirova bhasikoro rake.Akatimhoresa
takangodaira asi takaramba tichifamba
taisada zvekutaura nevanhu
vekwaMatemba.Takasvika kuchera mvura
yedu tikadzoka.Ndakasiya Noku achisuka
mandiro ini ndikaenda kunochera
imwe.Ndakasvika kuona Davie akamira
pachibhorani akabata shamhu.Ndakabva
ndamira kure ndakamutarisa ndikaona iye
anga akanditarisa.Ndakanhonga dombo
rangu ndikatanga kufamba kuenda
pachibhorani.Ndakasvika kudhaya mvura
yangu ndakajegera Davie kuti haasi kuda
kundijumha kundirova here.
"Lisa chero ukaita sei mhosva yako haisi
kuzopera usina kuishandira ndikuda
uende kunogadzira garden redu pasina
izvozvo oooh naMwari hauwani zororo
iwewe"said Davie.

"Manje ndizvo zvandikuda kuona izvozvo


azviitike ndichiri kurarama bodo
ndaramba ini"

Davie akauya pamberi pangu akatora


bucket rangu akandidira mvura
yese.Ndakatsamwa ndakati ndinhonge
dombo rangu andichariwane Diva anga
ari bvisa.Akabva atanga kuseka
akandibata akatanga kundidhonza
akaenda neni kumba kwavo.Ndanga
ndakutonhorwa ndakunzwisa tsitsi Diva
anga ane simba ndakaedza kumurwisa
ndikatadza ndanga ndakutevedza zvaari
kuda.Takasvika pamba pavo misodzi iri
pamatama ndakatanga kufunga mai
vangu.Dai mai vangu vari vapenyu ndisiri
kutambudzwa kudai.Ndakachema
neshungu takasvika mai matemba
vakagara nemuroora wavo Dean
aigadzira gadzira bhasikoro rake.

"Ndipe badza nebhemba izvozvi ndikuda


hure iri rinotanga basa now ini ndonzi
Davie handiitirwe marara macarrots angu
ukamasima nhasi chaiye"said Diva.

"No bro stop it, hamunzwewo tsitsi here


honai Lisa ari kutonhorwa uyu ko mombe
dzedu dzakadyawo mumunda mavo wani
tarisai maside ese imi" said Dean.

"Futseki kushata kutodza Lisa wakapusa


iwewe usapindire zvausingazive
pazvakaitika wanga uripo here" said mai
Matemba.

"Chero mukandituka asi chokwadi


machinzwa zivai misodzi yenherera haisi
yekutamba nayo iyi musazoti handina
kutaura" said Dean.Dean akabva atanga
kutukwa namai vake naDiva akabva
abuda hake nebhasikoro rake.

Ndakapihwa bhemba nebadza ndikaenda


kugarden kwavo.Moyo wangu wairwadza
kutaura chokwadi izvi zvaibva zvaita
ndivenge baba vangu.Sei vasingamire
nesu ndakatanga kuchema ndichitimba
Davie aitova busy nefoni yake.Ndakasiya
badza pasi ndikatora bhema kuita kunga
ndaida kutema matanda ekufenza nawo.
"Enough is enough pawandijairira
pakwana nhasi unondiona" ndakadaro
ndichienda paiva naDiva.Akavhunduka
foni yake ikadonha ndaikaitema tema
nebhemba.Ndakamumhanyisa kusvika
kumba kwavo ndakasvika kubata
Daisy.Ndakamurova mambama
ndikamusiya ndikabuda kuenda
kumba.Ndikasvika baba naTracy
vakagara paveranda.

"Ko wakatota nei mwanangu ko chii"


vakabvunza ndakatanga kuchema.

"Kubvunza kunga mune basa neni


chamunokoshesa ihure renyu iri nedoro"
*Dean*

Pekutanga ndakambofunga kuti Lisa


ndiye ane problem asi ndakazoona kuti
mai vangu vaiva dambudziko
hombe.Zvichitaurwa zvinonzi Mai Natty
,Mai Lisa namai vangu vakakura
vachitamba vese vaiwirirana
zvisingaite.Vaizviti matriplets pakukura
kwavo.Asi mai vangu vakabva vanetsana
neteam ravo asi hatizive kuti inyaya
yei.Taingonzwa kuti vaka etsana namai
Lisa ndipo pakatangira daka racho asi
ndaisatozivawo kuti chii chakaita kuti
vanetsane.Asi mama ukavabvunza vanoti
avana kubvira vawirirana neteam iri asi
vamwe vaiziva kukura kweteam iri
vaindiudza kuti vaitamba vese.

Kushungurudza Lisa naNoku ndakaona


kuti haisiri nyaya yekudyirwa garden
vakupinza grudge ravo rekare.Lisa
naNoku ndakaona kuti vaisandifarira
nekuda kwamai vangu ndaizama kuda
kutaura navo asi watoona wega kuti
havatodi.Vana vaindinzwisa tsitsi havo asi
ndaishaya kuti sei baba vavo vaisamira
nevana vavo.Davie akarova pasi Bella
akasara.Mazuva aya ndaitamira Natty asi
aisabatika hake zvekumhanya mwana
aidhura hake.Paibatika pacho aigona
kundirafura ndakaona kuti
ndakuvengerwa zviito zvamai vangu.

"Mama munoziva vanhu vakundivenga


nekuda kwenyu chimbori chiii ko kuva
humble munobvei hona ndimi
makadzidzisa mkoma Diva zvisina basa"
ndakadaro.

"Dean iwewe handifunge uri mwana


wangu pamwe ndakachinjirwa
kuchipatara chete"

"Mhamha ndozviziva pavana venyu vese


amundide andina kana basa nazvo asi
rimwe z......" andina kupedza kutaura
ndapihwa mbama.

"Dean Dean usada kukwidza hasha


dzangu uri kuzvinzwa here"

Andina kupindura ndakabuda ndikaenda


kunotaimira Natty.Ndidzo time dzanobuda
kunochera mvura.Ndakamuona
achifamba naLisa ndakabva ndasvikapo
ndikavamhoresa vakadaira havo.

"Guys musandivengawo ini ndiri munhu


ari free ndakasiyana Diva" ndakadaro.

"Saka wabvunzwa here Dee" said


Natty.Lisa akabva aseka zvakandifadza
kuona Lisa achisekawo.Ndaisada
kumuona achichema chete.Anondinzwisa
tsitsi kwete kuti ndomuda no.

"Andina kubvunzwa asi ndikutaura kuti


musandivenga handitofariwo nezvinoitwa
neteam rangu" ndakadaro.

"Hooo ini hangu handina kukuvenga asi


mai vako naDiva vanoshaina zvavo " said
Lisa.

"Regai ndikupekedzei guys"

"Okay no problem ko Dean tell me why


your mother vakandivenga kudaro" said
Lisa.

"Ipapo handidi kukunyepera handizive


reason yacho asi ndikufunga kuti pamwe
inyaya dzekunetsana kwavo namai vako
kudhara"

"Asi guys chimbondiudzai imbori nyaya


yei yakaita kuti vanetsane nekuti ndoziva
kare vaitamba vese ndine pic ravo vari 3
vachiri vasikana vanhu ava" said
Lisa.Natty anga ari zii ndakashaya kuti
kunyara here or kusandifarira.

"Mama vangu vakaramba kundiudza


ndipo pic iroro"

"Pic iroro andipe munhu mai vako vanawo


even mai Natty"

"Ngatisiyane nenyaya iyi guys iwewe


Dean ukudei pavasikana"said Natty.

Ndakaona kuti Natty aitova nekadzungu


kainako.Ndakaoneka ndikadzoka ndaida
kuzomutaimira panofamba ega.Mazuva
akafamba Bella ndakaona kuti aive
nehusimbe aigara akatukwa namama
vangu.Bella akazongoenda asina kutaura
mama vakasara vachipopota.Natty
aisambofamba zvekumhanya zvekuti
zvakandipa imwe pfungwa yekuti
ndipfimbe hangu Lisa.Lisa anga asina
kunaka zvembiri aingova nekabody
kaiyenderana naye aiva mutema.Asi
waiona kuti akaroorwa nembinga
anosimba chete
nekutsvukirawo.Ndakaona Natty achienda
kugarden kwavo ndikamutevera
ndikataura naye.Ndakamupfimba
akandiramba akati haana mafeelings neni
zvakandibhowa.Ndakaedza
kumunyengerera akatsika madziro achiti
haasati akuda mkomana.

Ndakudzoka ndikaona hezvo mai Natty


vanga vari kumashure.Ndakanyara
handidi kunyepa ndakavamhoresa
vakadaira.Ndakaenda kumba ndikasvika
mama vangu vari kuona zvavo
TV.Ndakasvika kupinda muroom mangu
pasina time ndikaona mkoma Hakim
vaifona.

"Hello bro" ndakadaro

" How are you DeeBoy"

"I'm ok sei gulez vangu"

"Vari bhoo ko pari sei paZim mfanami


muri kutora mababe here" akadaro Hakim
achiseka hake.

"Haaa tanzwa nekurambwa, mama


vakunetsa bro zvavari kuita hazvisi fair
vari kushungurudza nherera dziya vana
vepaPotse"

"What sei usina kundiudza vari


kushungurudza Lisa naNoku here chiii
chakaitika" ndakavaudza nyaya yacho
yese.

"Mira ndikusvika paZim very soon


ndikatora leave ko Davie akakuratidza
here bango refoni randakamutumira haaa
foni iyoyo ma1 iwe"

" Haana kundiratidza uyo pamwe


haafambe nayo"

Takambotaura kwenguva
yakareba.Ndikataura futi nagulez vangu
vaindifarira.Ndakafara kuti mkoma vangu
vari kuuya very soon asi eish ndinenge
ndadzoka kufazh.Hakim ndaimudira
munhu ari free asingadade nyaya
yemwana ndiyo yaingondirwadza vanhu
vaidanana zvavo.Asi mama vanga
vatovenga maiguru nenyaya yekushaya
mwana iyi.

*Drop your comments*

Thanks vari kunditsigira pamanovels ese


andiri kunyora...May God Bless You All
*WATCH OUT FOR CHAPTER 8*
[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*CHAPTER 8*

*DAVIE*

Ndakaona kuti Lisa aiva ane zvaiva


zvakamugara chete.Ndakambofunga kuti
pamwe akagarwa nemweya wamai vake
ameno.Ndakasiya Bella ndikadzoka
kubasa kwangu.Kalife ketown
kaindinakira hangu andidi kunyepa asi
ndanga ndasuwa mkadzi wangu.Mazuva
akafamba ndikazoona Bella auya.

"Ko watodzoka sei usina kufona"

"Mama vako vane hutsinye pese vanenge


vachindishoora" said Bella.

"Ko wakashoorwa kuti chii"

"Zvakawanda pamwe pacho vanoti


ndobika zvoshata kuitawo here hubby
ndatotiza kumusha kwacho handichadi
kudzokako"
"Bella une problem haudi kugadziriswa
pauri wrong,mom vangu avana problem
munhu atori free anofara nevamwe"
ndakadaro.

"Ko ungatii unoenda side ramai vako


ndivo vaunoda kupfuura inini"

"Bella mai vangu ndagara ndovada kuti


ndive zvandiri ndivo even your mai vako
unovada saka problem iri pai"
Bella akangosimuka akaenda
kubathroom.Anga achine hasha
ndakamusiya akadaro.Asi ndakatoona
kuti ane dambudziko munhu
wangu.Akazobuda hake akatanga kubika
akasunga chiso chake.Andina kuda
kutaura naye hangu ndakabaya foni
yangu.Mai vangu vakafona vachiti
vakushaya Bella.Ndakavaudza kuti auya
kuno vakapopota vakati handichadi
kumuona kuno.Pakataurwa zvinhu
zvakawanda namama vachiti Bella
handichatomudi ane kahunhu kachihure
hure kaanako.Ini kahunhu kacho
ndaisakaona nei masasi ayo.Vanofunga
ndichasiya munhu wangu zvekudaro.
Bella akapedza kubika tikadya anga ari
zii.Ndakapedza kudya ndikaenda
kunoona zvangu news dza8
manheru.Bella akananga kunorara
ndakatevera ndikaona munhu
akamuka.Akatora kafoni kangu akatanga
kubaya baya.Touch yeApp yanga
yakatemwa temwa naLisa.Uyo
ndichazopedzerana naye foni yangu
achaishandira chete pasina izvozvo
anondipa mari yangu.

"Ko foni hombe yako iripi"


"Yapwanywa naLisa iyo"

"What iwe wamupirei heee hiiii ndine


mapics angu arimo ndomawanepi" said
Bella akavhura ziso.

"Andina kumupa ini" ndakamuudza


zvakaitika zvacho.Ndakaburitsa mapiece
efoni yacho ndikamuratidza.

"Apwanya foni yako asi apana


zvawamuita asi dai ndiri ndarohwa
unenge unoda Lisa iwewe
handichakunzwisise Diva"
"Handipengi ini kuda type dzakadaro
haaa ndingatogara ndiri bhachura kana
zvadaro"

Bella akaseka akatanga kuwanzira Lisa


hake.Takarara zvedu mangwana
ndikamukira kuenda kubasa
kwangu.Ndakasvika ndikaita basa rangu
zvakanaka.Dony akabvunza sei mudhara
musiri kubatika paApp ndikamuti foni
yakadonhera mumvura.Ndakachaisa
ndakuenda kuchikoro ndakasangana
naRopa achifamba netsoka kuenda
kumba.Ndakamira paside pake
ndikatanga kutaura naye.
"Pinda ndinokusiya kwauri kuenda"
ndakadaro.

"Hiiii thanks Diva aha makumbo angu ari


kurwadza nhasi" said Ropa achipinda
achipinda kugara mberi.Ndakamutsa
mota ndikatanga kufamba low low hangu.

"Saka chikoro chiri sei"

"Chiri nani undisiye paPolice apo handidi


kuonekwa nevanhu ndichidzika mumota
mako zvinoswera zvasvika kunaBella
ndikapinda busy"

"Hazvina kana basa izvo"

"iiiih aripi Bella wacho"

"Ari kuden kwangu sei uchimutya"

"Saka ndiye mkadzi wako here Diva"


"Yeah ndiye"

"Hooo asi unoziva ku....." kafoni kaRopa


kakabva karira.Akadaira foni yake akati
ndimise mota akanditenda akabva arova
pasi.Apa ndaida kuziva zvaida
kutaura.Ndakasvika Bella asipo mumba
musina kana kutsvairwa.Even mandiro
asina kana kugenzwa akazara
musink.Ndakanzwa hasha chaidzo
ndakanokiya door ndaida kuona kuti
anopinda nepai panodzoka.Apa ndanga
ndine nzara sei.Ndakageza mandiro aiva
musink nekutsvaira mumba.Ndapedza
ndikabika kasadza kangu ndega.
Ndakatanga kufunga masanganiro
andakaita naBella.Ndakasangana naye
ndamubatsira anaiwa nemvura ari
pabustop akatota muviri wese apa
kwanga kwasviba.Ndakamutora
ndikaenda kunomusiya pamba patete
vake.Ndiwo madays andakamupfimba
tikatanga kudanana asi ndakaona aifarira
kupfeka mamini zvidya zvaivepo
kani.Ndikafunga madays ese
andakaspenta naye.Pasina time
ndakanzwa knock pagate andina
kuvhura.Ndakaona munhu akufona ndika
ignowa.Akatanga kudaidzira
ndikazonovhura chiona munhu anga
akazvimba muromo muviri wakazara
ropa.Ndakatarisa ndikaona anga
akapfeka dress diki zvakandibhowa
abuda achienda kupi.

"Ko uri kubvepi"

"Ko wadii kubvunza ndaitwei hausi kuona


ndiri kurwadziwa here"

"Fakofu usada kundinzwisa hasha


wanzwa iwe ndati uri kubvepi"

"ndi...ndi...ndiri kubva kumba kwatete


vangu ini"
"Ko wasiya mumba muri junk uri
musikana akaita sei Bella saka warohwa
nani"

"Ndarwisana nembavha yanga


yandibvutira handbag rangu tarwisana
vanhu ndivo vazobata" said Bella.

Ndakangoisa question mark zvaakataura


apana chandakabvuma.Ndakaramba ndiri
zii ndoda kumutaimira ndione ari
kumboita nezvei ndisipo.Akageza akadya
chingwa nedrink ndakaona dzaiva nungo
dzekubika.Mangwana ndakamukira
kuenda kubasa ndikasiya ndamuudza kuti
ndikudzoka manheru nhasi.Ndoziva
zvandakazviitira hangu.Ndakasvika
pagraft tikamboita basa
ndikazongonzvenga ndikaenda pamba
pangu ndikasvika gate
rakakiiwa.Ndakaenda panext door
ndikajamba kupinda muyard
mangu.Ndakapinda ndikanzwa .......

*LISA*
"Kubvunza kunga mune basa neni
chamunokoshesa ihure renyu iri
nedoro"ndakadaro

"Hure ndiani iwe Lisa unoziva ndimai


vako here ava ibva pamberi pangu ndisati
ndakurova" said baba vangu.

Ndakapinda mumba ndikachinja kupfeka


dzimwe hembe.Dzanga dzakatota
ndakadzigeza ndikadziyanika.Baba vaiva
busy kutaura nehure ravo ndaingonzwa
kuseka chete.Ndakabuda ndikaenda
kugarden ndiko kwandakaswera
ndega.Mazuva akafamba Tracy anga
akugara pamba pedu full time.Asi neni
taisawirirana kana kaone.Ndaiona aida
kuzama kuwirirana naNoku asi Noku
wacho aitotaura kuti amusi vangu amufe
makaita mai vangu nekuti amusimi
makandibara.Tracy akagumisira ativenga
tese isu taisataura naye.

"Lisa huya pano" akadaro Tracy.

"Ndauya mukudei"
"Hona huni dzapera ndoda muende
kuhuni mozodzoka modya mabva kuni"
akadaro.

"Tozodzoka todya isu here, toda kutanga


tadya kuti tiwane kuenda kuhuni ko
tikafenda nenzara nei, kana tisina kudya
apana kwatiri kuenda" ndakadaro.

"Hehehede uri ani iwewe unondipikisa uri


murume wangu here kana pasina huni
apo nhasi hamuridye pano"said Tracy.

"Ndonzi Lisa Potse inini kana


musingandizive ndopika namai vangu vari
pachuru pano ndoridya chete ndimi
mungatorishaya zivai muri pahome pangu
muri away imimi"

Ndakadaro ndikapinda mumba Noku


anga akarara hake pasofa.Andizive kuti
airwara here ndakamusiya
akadaro.Ndakatora poto ndikaisa
mutakura pamoto.Tracy ndakaona
akuuya kuda kubvisa poto
yangu.Ndakamubata iye akacheuka
akandipa mbama.Ndipo pakatangira
fight.Baba vanga vasipo ameno vanga
vaendepi havatiudze nekuti atisi chinhu
kwavari.Takarova naTracy ndikamudzipa
zvekuti anga akutadza kufema
ndakamugarira padumbo.Ameno Dean
akabva nepi ndiye akauya kubata.Ndipo
pakabudawo Noku mumba.

"Ndokauraya kahure kenyu aka


ungandirambidza kudya chikafu
chatakashanda isu iwe wakauya zuro uno
wakuda kutotonga pano hautongi
unotonga mudhara Potse"

"Baba vako ndoda kuvaudza farisa hako


nhasi hauridye"
"Chero zvamataura mutakura wangu
ndaisa pamoto vaudzei I don't care"

"Tracy dai uri mumwe wanyarawo


ungarambidza vana kudya chikafu pamba
pako here zvimwe zvoda kungokurawo
so" said Dean.

"Dean ko wakokwa nani pano get out


now" said Tracy.Akatanga kutuka Dean
,Dee akabva abuda hake.Tracy akauya
pandiri akatanga kundituka apa
ndakaramba ndiri zii paakanyarara
ndakabva ndatanga kutaurawo.
"Kuhuni hatichatodi kuendako
hatingashandi imi makagara kana mava
mkadzi wababa vangu shandaiwo inga
mai vangu vaishanda wani tichitoenda
navo kuhuni"

"Vanhu vakasiyana Lisa havambofe


vakafanana ziva izvozvo kana wati hausi
kuda kuenda kuhuni its okay ,iwe Noku
tora mandiro ugeze hako mwanangu
usatevedza benzi iri" said Tracy.

"Handidi wamuri kuti mwanangu ndiani


siyanai neni kana magumbura sis vangu
matogumbura neni nxaaa"
kakadaro.Ndakaona Tracy avhura ziso
akatora foni yake akafonera baba
vedu.Isu takabva tabuda kuenda kwaMai
Natty.Takasvika kuvaudza zvaitika
zvese.Takadya kwamai Natty
tikambotamba zvedu naNatty.Kwava
kusviba Mai Natty vakaenda nesu kumba
kwedu vaida kuona baba
vangu.Takasvika baba vangu vatovapo
ndakanzwa kasmell ndikaziva pari
kubikwa zvonaka nasis Tracy.Takasvika
zvakanaka Mai Natty vakapinzwa mumba
Tracy aibika anga asimo mumba.

"Muchiona ndauya kudai ndinoda kutaura


nemi zvishoma akusi kukutongai kana
kukushorai munoziva ini namai Lisa taiva
tsika nditsikewo" said mai Natty
vakambonyarara.

"Vana ava mukanyatsa kutarisa vana


vanoshanda zvodadisa chaizvo
zvatinoyemura asi dai mamirawo nawo
pane zviri kuitika Mai Matemba
vakavenga vana ava handizive reason
yacho ndeyei,chimwe munhu wamakatora
akushungurudza vana ava avanyima
chikafu ndini ndazovapa kumba kwangu"

"Hoooo saka mati regai ndiuye


ndimutonge Potse wacho ka,I respect you
Mai Natty but panyaya yevana vangu
handide anondipindira andide hangu,Lisa
naNoku mava kurebesa muswe ka
zvinoitika pano moenda kunotaura kunze"

"Kana madaro apana chakaipa asi ziva


vana ava mukasavabata zvakanaka
ndikufonera mapurisa chete atidi child
abuse ndatenda hangu Lisa naNoku
ndinokudai vana vasahwira wangu
musakanganwe kunamata chanetsa tell
me anenge akunetsai ndiudzei musatya
ndiri mai venyu"said Mai Naty.Vakabva
vabuda havo baba vakasara vakabata
muromo.Tracy akabva apindawo.
"Lisa saka mukuronga ku ndisungisa
namai Natty here ndiudzei"

"Baba pane pambonzi tikuda


kukusungisai here zvangonzi stop child
abuse"

"Saka ari kuitwa chaudhi abhusi ndiani


pano heee andichadi kukuonai
muchienda kwamai Natty zviri kunzwika
here,ava ndimai venyu varemekedzei
chavataura ndizvo zvamunofana kuita
mangwana makuseni mukuenda kuhuni
zvikunzwika here" said dad.
"Ini kuhuni andiendi kana Tracy uyu
achisara mama vangu taienda navo ko
uyu akoshei ini andiendi" ndakadaro.

"Kana neni handiendi kushandira munhu


gara bodo pano mvura tisu tochera
nekudiridza garden futi"said Noku

_ko akanzwei Davie...Bella uyu


akuzvifambisa sei_
_ko baba vaLisa vachaita sei vana
zvavaramba kuenda kuhuni_

Drop your comments

*Watch out for chapter 9*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*
Follow this link to join my WhatsApp
group:
https://chat.whatsapp.com/J11WrTw8QE
F9fX7hhzArsK

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 9*

*Davie*

Ndakamira padoor repabedroom rangu


ndikanzwa kuti pane zvaiitika
imomo.Ndakanyatsa kuteerera ndikanzwa
vanhu vaitaura imomo ndakashaya kuti
Bella akuzvifambisa sei.

"Hmmm asi Bella ndakakuudza kuti andisi


kuda uroorwe neboora ngoma iro,chiii
chaunoda paari anei chinoshamisira"
akadaro murume.

"Tina shaaa I love my man shaaa ichi


chihure chandiri kungoita hangu ndiko
kekupedzisira aka" said Bella.

"Saka mira ndichingorova zvinhu


kwekupedzisira you know I'm better than
your man ini ndonyatsa kukusvitsa chaipo
chaipo"akadaro Tina.
Ndakanzwa vanhu vava ziii ndofunga
vakutsvodana.Ndakanzwa hasha
nekurwadziwa nekuti ndaiti Bella ndiye
munyaradzi wemoyo wangu ndiye achava
mkadzi wangu.Bella akaratidza
kundidzikisira ungarara neumwe murume
pabed yangu here dai akaitira kure zviri
nani.Ndakanzwa tumwe tumasounds
ndikaziva chatotsva ndakaedza kuvhura
door ndaida kutovauraya vese.Door racho
ranga rakakiiwa ndakagogodza ndikaona
vanhu vava ziii.Apana kumwe
kwavaibuda nako nekuti imba yangu ine
bagla bars.Ndakaramba ndichigogodza
vanhu vakaramba vari ziii.

"Iwe Bella vhura apa" ndakadaro.

"Diva mira ndakuvhura" akadaro Bella.

Akapedza nguva asati avhura,akazovhura


ndikamutambidza mbama iri
strong.Ndikaona Tina wake asipo
ndikaziva amuhwandisa chete aifunga
kuti ndiri murima.Bella akasimuka achida
kubvunza kuti arohwerwei ndakamubata
ndikamukanda pabed ndikamurova.
"Bella uri hure ka iwe une shuwa unouya
neumwe murume mumba mangu kurara
naye pabed pangu heee"

"Murume upi Diva andisi hure why you


don't trust me"said Bella

"Saka ini ndiri benzi ndikunyepa here wait


nhasi panofa munhu pano" ndakadaro
ndakabuda ndikanotora kanzvimbo
kangu.Ndakakiya door ndikatanga
kutsvaga pahwandiswa Tina.Ndakatsvaga
ndikazoona munhu ari mudish
akafukidzwa mazihembe.Ndakamubvisa
ipapo ndikamupa one tsvimbo kumagaro
munhu akatanga kugomera nemarwadzo.

"Rara pasi apa ndoda kukuratidza kuti


mkadzi wemunhu haasi wekuita
zvaunoda naye wanzwa" ndakadaro
akatanga kukumbira rugerera ndikamupa
imwe tsvimbo akapfugama achikissa
bhutsu dzangu achikumbira
ruregero.Ndakamubudisa kunze
ndikatanga kumupura ndichiti mkadzi
wemunhu hauite zvaunoda naye.Vanhu
vemughetto vakapindira nyaya yacho
maihwe Tina uya akazorohwa zvainzwisa
tsitsi akazopona umwe mupurisa amisa
bongozozo.Ndichidzoka ndakaona Bella
akuda kutiza ndakamubata
ndikamurova.Ndakamutorera hembe
dzese ndikadzidira parrafin ndikadzipisa.

"Saka wapisirei hembe dzangu sei une


hutsinye Diva"

"Bella wakatamba nemoyo wangu


ndaisaziva kuti uchandirwadzisa so Mwari
ave newe hembe dzandapisa idzi ndini
ndakadzitenga saka usandibvunza
wanzwa" ndakadaro.Ndakamubudisa
kunze kwegate ndikagara pasi ndakabata
musoro.Ndaitadza kuzvigamuchira kuti
Bella wangu ndiye andigura
kunorira.Ndakatadza kuziva kuti Bella
akatanga kuhura rini nekuti
taisambobatirana mafoni pasina
chakaipa.Moyo wangu wakarwadza kana
simba rekudzokera kubasa ndakarishaya
ndakapinda mumba.Misodzi yangu
yakatanga kuyerera ndichifunga zvaitika.

Ndakabuda ndikaenda kubhawa


ndikatenga Gold Blend ndikatanga kunwa
zvangu ndakagara pachicorna pangu
ndega.Ndakasvika pakudhakwa ndakaita
pungwe ndiri mubhawa imomo ndikamuka
ndichiona andisisina bhutsu netrouse
zvese namari.Ndangosarirwa nekashort
ndisina hembe kumusoro.Ndakaziva kuti
ndakarohwa chadonha neteam
remughetto.Ndanga ndakunyara
kudzokera kumba nezvandiri.

"Mkoma ndokumbirawo mubude muri


kuona muchine vanhu here" akadaro
mutengesi.

"Ndibatsireiwo sista honai ndakabirwa


azviite ndiende kumba ndakadai"

"Munonwirei doro racho kana


risingabvumei get out musada kunyepera
kuzungaira mhani" akadaro musikana
uya.Ndakabuda ndikanogara panze anga
ava makuseni vanhu vava kuenda
kumabasa.Ndanga ndakuita kunga
mupengo ndakatanga kufamba
ndakananga kumba then boom
kudhumana nana Ropa vachienda
kuchikoro ava vaita malessons
paholiday.Ndakatarisa pasi ndaisada kuti
andione chiso changu.Vakapfuura zvavo
ndikazosvika pamba pangu, ndakasvika
kugeza nekupfeka worksuit yangu
ndikaenda kubasa.Asi ndaisatova
mugood mood.
Kubasa vanhu vakashamusika kuona
ndiri zii.Vajaira kuona ndiri munhu
wemafunniz.Musatamba nekuhurirwa
nemunhu waunoda zvinorwadza.Zvakaita
Bella zvakabva zvaita kuti ndifunge kuti
vasikana vese vakafanana.Dony
ndakamuudza nyaya yacho
akandisimbisa seshamwari.Ndanga
ndavenga chinhu chonzi musikana mukati
meupenyu hwangu.Ndakachaisa
ndikananga kubhawa ndikatenga beer
rangu.Ndakatanga kunwa ndanga
ndakuda kugara ndichinwa kuti
ndisafungisise nezva Bella.Nekuti
airamba kubuda mupfungwa dzangu
mwana ndaimuda.Ndakaenda kunogara
mumota mangu pakauya rimwe hure raiti
ndipe $10US husiku hwese.Ndakamuti
pinda mumota akapinda ranga rakanaka
haro.Takatanga kunwa tese
beer.Takasvika pamba tikaita chivanhu
chacho asi ndaishandisa maprotections
hangu.Ndivo akava mararamiro angu
ekukecha mahure nekunwa beer
zvisingaite.

"ko boss Diva kubva zvamasiyana


naBella mava addicted nedoro plus
mahure asi chii bro" akabvunza Dony.

"Usaita kunga iwewe usinganwe wanzwa


nyaya yako iri papi" ndakabvunza.
"Aiwa ndinonwa but andiite zve everyday
ndongonwa ndakafarisa, haaa pamahure
apo munopera andidi kunyepa skiri iro
hariite pfimbai mabbe inga ariko wani"
said Dony.

"Haundiudze zvekuita nelife yangu munhu


anoita zvoda moyo wake ndikapera
ndiwe unenge wapera here Dony heee"

"Haaa bhoo zvapera handingasweri


kupikisana nemunhu akadhakwa
kudhara" said Dony akabva aenda hake.
*LISA*

"Potse vana vako ava vanonetsa ini


ndakutotya kuuraiwa chandakaona vari
kufurirana endesai one wacho kwatete"
said Tracy.

"Yaaa ipapo wafunga mkadzi wangu


iwewe Noku mangwana ukuenda kwatete
vako unodzoka zvikoro zvavhurwa
mwanangu"

"Handidi kuendako ini kunobhowa uko"


said Noku.

"Apana anopikisa zvandotaura pano


wanzwa here iwe, chiendai kuhuni izvozvi
tisati tarovana"

Takatora bhemba redu tikaenda zvedu


kuhuni kwacho.Noku anga ari kuchema
achiti sis handide kuenda
kwatete.Ndakamusimbisa kuti hakuna
kwaunoenda mwana wamai
vangu.Takasvika kutema huni dzedu
tikaunganidza.Takambogara pasi
tikatanga kutaura nyaya apa nzara yanga
yakuruma.Noku anga akuchema nzara
ndakamuisira huni shoma ndini
ndakatakura dzakawanda.Ndaitya
anodonha nenzara takasvika baba
vasipo.Tracy paakationa akatanga kutuka
Noku.

"Zviii zvawakatakura izvi heee unoti zera


rako haugoni kutakurawo huni dzakadai
nedzaLisa here"

"Sorry ndanga ndisisina simba rekutakura


ndafa nenzara ini"said Noku.

"Saka Lisa haana nzara here dzoka


unotakura dzimwe ndisati ndakurova
izvozvi"

"Tete Tracy zvamunoita zvakashata Noku


ndini ndamuti atakure shoma ane nzara
uyu" ndakadaro ndanga ndisina simba
rekutaurisa ndanga ndine nzara.

"Tete vako ndiani haugoni kuti mhamha


here iwe Noku dzoka handisi kuseka
ukufunga ndikukuitira hutsinye aiwa
ndoda ukure uchishanda kwete
kushandirwa wakagara ,iwewe Lisa enda
unochera mvura yapera"

"Noku hakuna kwaanoenda ndizvo


zvandaramba mvura yanga yakawanda
umo yaendepi" ndakadaro.

"Ndoda kumbokurovai baba venyu


vandipa mvumo mese muri vana vangu"
vakatora shamhu Noku akatiza kuenda
kwamai Natty.Ndakasara ndakamira
Tracy ndofunga akatya kundirova here
nekuti ndanga ndakabata
bhemba.Ndakatevera Noku ndikasvika
achitodya sadza nebeans kwamai
Natty.Ndakapakurirwa ndikadyawo
zvekuti ndakabva ndaguta.Takaenda futi
kuhuni tikatakura dzakawanda tikasvika
baba vavepo.

"Vanangu mashanda maita basa" said


baba.

"Muchitendei tikasashanda ndiani


angashanda" said Noku.

"Noku mari yako yebhazi iyi mangwana


ukuenda kwatete unodzoka next week
panovhurwa zvikoro" said baba,Noku
akatanga kuchema ndakaedza kumira
mira kuti asaenda asi zvakashaya basa.

Noku akamukira kuperekedzwa kubustop


nababa.Ndakasara ndikaita basa
repamba Tracy akamuka basa
ndatopedza zvese nekuchera mvura.Akati
ndiende kunomudziisira mvura yekugeza
ndikaita sekudaro.Yakadziya mvura
akanogeza zvake mwana
wevanhu.Ndakanogara kuseri kwemba
ndichifunga mwana wamai vangu Noku
amanikidzwa kuenda
kwaasingade.Misodzi yakapedzisira
yakabuda ndakutofunga mai vangu.Baba
vakabva vasvika vakati ndinotenga
chingwa kumagirosa ndakamhanya
ndikauya nacho.Ndakavapa
ndikamboenda kunoona kugarden
kwangu ndikaona raiita zvinoyevedza.

"Lisa hesi kani" said natty.

"Ndiri bhoo"

"Hausi bhoo Lisa ndikuzviona chii


chikunetsa" said Naty.

"Mwana wamai vangu ari kure neni


handisi kuziva akuzvigona sei zviri kuitika
pamba pedu hazvisi fair inga hako Natty
une vabereki vanokuda"ndakadaro
ndakubudisa misodzi.

"Lisa don't cry inguva chete zvinopfuura


izvi,Noku usatya lets pray for her kuti
achengetwe nenyasha,Lisa usarase tariro
Mwari vanokuda"

"Okay sahwira ameno kuti mangwana


ndichazovei"

"Anogadzira ramangwana rako ndiMwari


not munhu usafa wakadzikisirwa
nemunhu anosimudzira munhu ndiMwari
not munhu"

Ndakatenda Natty nemashoko ake


akandiperekedza kumba akandisiya
pagate.Ndakasvika ndichida kutarisa
chikafu changu ndikaona
chisipo.Ndakabvunza Tracy
akandipindura rough ndakamupa mbama
baba vangu vakazviona.Ndakabatwa
ndikarohwa zvekuti ndakapotsa ndafira
mumaoko ababa vangu.

"Lisa ava ndimai vako ndikuone


uchivarowa ndinokuuraya wanzwa"
"Ndazvinzwa baba" ndakadaro
ndakapfugama.

Ndakabuda ndikanogara kuseri kwemba


ndikabatwa nehope ndakagara
ikoko.Ndakazopepuka pava paya
ndikaenda mukitchen ndikaisa poto
pamoto ndikabika kasadza kangu
ndikadya.Tracy anga abuda nababa
vangu.Vakadzoka vakabata grocery ravo.

Ndakatora bucket ndikabuda


ndikasangana naDean.

"Ko Lisa wakarohwa nani wakazvimba


padama"

"Ndakadonha dear"

"Hooo uri sei hako"

"Ndiri bhoo" ndakadaro


"Ko Natty aripi handisi kumbomuona",

"Ariko kumba kwavo"

"Ungakwanisa kundiitirawo plan here


ndikumuda asi akundiramba"

"Sorry andikwanise pedza nyaya dzako


wega" ndakadaro.

"Please Lisa usandidaro ndibatsirewo"


Ndakazobvuma ndikaenda kunotora Natty
wacho ndikataura naye.Ndakamusiya
pana Dean ameno vakazobvumirana kuti
chii asi ndakaona Natty akunyara nyara
hangu.

Ndakachera mvura yangu ndikasiya


Deeboy naNatty vachitaura.Ndakasvika
kumba baba nemkadzi wavo vari kunwa
drink vachidya nemabhisvo.Baba vakati
mwanangu torawo udye ndakatora
ndikatanga kudya zvangu.Ndapedza
ndikaenda kunogeza ndapedza
ndikaenda kwamai munya.Ndakakumbira
foni yavo ndikafonera tete ndikataura
naNoku ndakafara kunzwa voice
rake.Hatina kumbotaura zvakawanda
mari yakabva yapera asi
ndakafara.Ndakadzoka kumba Tracy
akatanga kupopota achiti akushaya mari
yake akati ndamubira.

"Handina kumbotora mari yenyu pamwe


makanganwa pamakaiisa nyatsotsvagai"

"Iwe ndipe mari yangu ndikukuziva ndiwe


waiba"
"Lisa ndiudze mari iri kutaurwa yatorwa
nani iwewe uri mbavha ndiwe waiita basa
rekutengesa huku dzangu"said baba.

"Kana musingandide pamba penyu


ingotaurai pane kundiitira hutsinye asi
chandinoziva Mwari vari kuona"
ndakadaro maziso atojenga
misodzi.Tracy akandirova kundiroverera
mhosva yandinoziva kuti andina kuita.

Ndakabuda ndikanochema ndakagara


kugarden kwangu.Ndikaona baba vangu
vaisambova neshungu neni.Mari yavari
kutaura kuti ndakaba
handitozive.Ndakuenda kumba
ndakasangana namai Matemba.Hapana
chavakataura vakaramba vari ziii
zvavo.Ndakasvika kumba ndikatanga
kugeza mandiro angu ndaiimba kasong
kaifarirwa namai vangu.Pasina time
ndakaona Tracy achimhanya akasvika
kundirutsira mukati akusi kundijairira
ikoko.

Drop your comments


*WATCH OUT FOR CHAPTER 10*
[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/J11WrTw8QE
F9fX7hhzArsK

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587
*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 10*

*Natasha*

Dean ndakazomubvuma mushure


mekunga Lisa andinyengerera dai
zvisizvo ndisina kumbobvuma.Mama
ameno vakabvawo nepi vakandisvikira
ndichitaura naDean.Ndakanyara
vakaramba vakanditarisa mama ,Dee
akabva arova pasi.

"Unoda kuvadiii vakomana Natty ini


anditombodi kukuona nevana
vekwaMatemba avo"said mama.

"Mama zvamuri kufunga azvisizvo apa


ndaingobvunza hangu kuti grudge renyu
muri vatatu rakatangira kupi iye atoti
haazive imi makaramba kundiudza"
"Natty unoda zvinhu too much
uchandinetsa zvegrudge redu zvinei newe
zvimwe zvinhu siyai zvikupfuure"said
mama.

Ndakatanga kunetseka mupfungwa kuti


saka vanhu ava grudge ravo nderei namai
Matemba.Ndakadzoka kumba mama
vaitoenda zvavo kugarden.Ndakasvika
kuita basa repamba ndichifunga
Dean.Dee ndaiva ndamuda nemoyo wese
chero mai vangu vaisada ndidanane
naye.Dai ndine foni ndichitotaura naye
so.Mama vakasvika nemuboora
wavo.Ndakabva ndabuda ndichiti
ndikuenda kwana Lisa ndichida kunoona
Dee.Ndakaenda pachibhorani
ndikambogara ipapo nguva yakareba
haana kubudikira.Ndakabhoekana
ndikatanga kudzokera kumba
ndikasangana naye muroad achirova
bhasikoro rake.Akauya akandimbundira
akabva andikissa ipapo
ipapo.Ndakatanga kunyara nekuti taiva
muroad.

"Tasha"

"Dee"
"I love you" said Dee.

"Hmmm ndazvinzwa"

"Ndiwo mapinduriro acho here amana"

"Aaah i love you too kwacho"

"Zvehasha here Natty, ndikuda kuspenta


zuva newe ndisati ndadzokera kuchikoro
next week"
"Ndoona nekuti mama vangu avadi
ndibude zvisina mission"

Takataura naDee kwenguva yakareba


kusvika kwasviba.Ndikadzoka kumba
ndaifara.Ndakasvika smile iri
kugotsi.Ndakasvika baba namama
vachidya.

"Ko uri kubvepi usiku huno" said baba.

"Aaah sorry ndazononoka ndanga ndiri


kwana Lisa"
"Okay pakanaka mwanangu" vakadaro
mama.Ndakatanga kunyemwerera hangu
mupfungwa manga mazara Dee.

"Uri kusekei nhai Natasha" vakabvunza


mama.

"Andisi kuseka mama amuchaoni here"

"Natty ndinokurova usada kundiita benzi


chiii chiri kusekesa ipapa"
Ndakabva ndatanga kuseka
ndakashayawo nechandaiseka kuti
handisava pedyo nekupenga.Vabereki
vangu vakangonditarisa baba ndivo vakati
kuti uyu haasava kutamba nevanhu
vanoputa here.Mama vakaramba
vakanyarara zvavo asi ndakaona kuti
vane mibvunzo yavaida
kundibvunza.Ndakadya ndikaenda
kunorara ndakaona mama vauya muroom
mangu.

"Natty muka ugare apa ndiudze waisekei


,nhasi mufaro wako wakanyanya asi wava
nemkomana here"

"Ndomuwanepi mkomana mhamha


kungoti naLisa tinonakirwa zvedu"

"Hoooo asi inzwa handide kukuona


nevana vekwaMatemba ukuzvinzwa here
kana kukuona kumaraini kwavo andide"
said mama.Ndakangorolla maziso
ndakavatarisa vakuda kupinza grudge
ravo.Manje hatinei negrudge ravo
tichatoroorana naDee chete zvegrudge
ravo hatina basa navo.

"Saka ndokudii maziso kwauri kuita


ucharoya iwewe rega ndinorara asi
usakanganwe kunamata my daughter"

Vakabva vabuda ndikasara ndichinamata


ndikarara ndichifunga Dee.Dee aita kunga
andishandisira mushonga chete munhu
wandabva kubvuma manje manje apa
ndiye wandakuita kunga ndakamuda
kudhara.Wakamboda munhu zvekuti
unomuka pakati pehusiku kufamba kastep
kake wodzokera zvako kurara.

Hope dzakanonoka kubata zuva


iri.Ndakazorara nguva dzaenda
ndikanonoka kumuka.Ndakaita
zvekumutswa namai vangu ndikatsvaira
pachivanze.Mama vakabva vati Mkoma
vako Nason vari kuuya nhasi.Nason ndiye
first born mumhuri medu.Aigara
kwaRusape nemkadzi wake anga ane
mwana ane 5years.Ndakaita basa
ndikapedza ndikanogara zvangu
pamumvuri ndichitsvaga maths
dzekubuda kunoona umwe wangu.Pasina
nguva Nason akabva angosvika akauya
ega haana kuuya nemkadzi wake.Mama
vakafara kuona dangwe ravo.

"Munofara here mkoma" ndakadaro.


"Long time hanzvadzi uri sei hako wakura
manje" said Nason.

"Ehe ndakura manje manje ndakuroorwa"


ndakadaro ndaida kuona reaction yamai
vangu.

"Kuroorwa nani"said mama.

"Ndikutamba ndiani angaroora munhu


akaita seni,ini regai ndimbosvika
pagarden apo"
Ndakabuda ndikaenda kugarden
ndikaona Lisa akagara mugarden mavo
akabata shaya.Ndakaramba
ndakamutarisa ndikaona kuti pane
zvaimunetsa.Ndakaenda paari
paakandiona akatanga kuchema zvekuti
neniwo ndakagumisira
ndakuchemawo.Akandiudza kuti
haasisina mufaro pamba ari kunyeperwa
kunzi akaba mari yaasina.

"Lisa usachema Mwari vari kuona zvese


iwewe usakanganwe kumunamata be
strong everything will be okay"
ndakadaro.

"Ndasuwa mai vangu dai varipo zvese izvi


zvisiri kuitika dai Mwari vanyaradza moyo
wangu uwane zororo zvandaitarisa kuita
muhupenyu ndaona zvawira mudondo
nemamiro akaita zvinhu pamba pedu"

"Lisa usataura uchidaro apana anoziva


ramangwana redu kunze kwaMwari
usazvidzikisira mhani"

"Natty uri kudaro nekuti hazvisi kuitika


kwauri dai uri umwe waindinzwisisa"
"Lisa zvikuitika kwauri ndikuzviziva terera
mashoko angu"

Lisa akabva atemha mavergie ake


kaenda kumba asi waiona wega kuti
pfungwa dziri kure.Ndakatanga kufunga
kuti ko mainini vake mai Ropa vanodiii
kuuya kutorawo vana vasis vavo vari
kutambura.Kungoti hama dzinokuda
vabereki vako vari vapenyu vakashaya
ndipo paunoona vanokuda
nevasingakude.Ko ivo mai Lisa kwavari
ikoko ngavaonewo misodzi yevana
vavo.Ndaizvifunga ndakamira pagarden
pana Lisa misodzi yangu yanga
yakutobuda.

*LISA*

Tracy akandirutsira pahembe pangu


ndakarwadziwa asi chekumuita ndipo
pasina.Iye wacho kuzoti sorry
ndakaramba ndakanyarara ndakanobvisa
hembe dzangu ndikadzigeza.Ndapedza
ndakapedzisa kugeza mandiro andanga
ndichigeza mamwe anga azara
marutsi.Zvinosemesa sei kubata marutsi
emunhu ndakatora mvura yakawanda
ndikamageza futi patsva akachena.

"My daughter I'm sorry andina kuita


ndichida ini" said Tracy.

"Okay no problem" ndakadaro.

Asi nyaya yekuti ndakaba mari yavo


yaindirwadza andidi kunyepa.Kurohwerwa
chinhu chausina kuita
kunorwadza.Vakabika rice ravo tete Tracy
vakapakura pamwe chete narangu
tikadya pamwe chete
semhuri.Ndakaisirwavo rakawanda
zvekuti ndakatosiyawo ndatadza
kupedza.Tracy akati enda unotemha
mavergi ndoda kuzomabika
manheru.Ndakaenda ndiko
kwandakaonana naNatty.Takambotaura
akandisimbisa hake.Ndakadzoka kumba
ndikasvika baba vachifara nemkadzi
wavo.

"Lisa huya ugare apa"said


baba.Ndakanogara pasofa raiva paside
pavo.
"Mangwana ndikubva pano ndikuenda
kuPenhalonga uko kwanetsa goridhe
pamwe ndingaitewo mari,ndoda usare
zvakanaka namai vako"

"Okay ndapanzwa baba" ndakadaro.

"Ehe ndimbonzwa kuti wanetsa uyu Noku


ari kuuya next week chanetsa unoudza
mai uvako pabasa unobatsira andidi
mwana ari mudumbu akanganisike"said
baba.
Andina kupikisa ndakabvimirana
navo.Ndakatoshamisika kuti Tracy ane
nhumbu inga zvakaoma.Baba vangu
vanga vafunga kuita chigweja inga
zvakaoma.Dai vakaramba vachirima
zvavaita kudhara zviri nani.Musoro wangu
wakatanga kurwadza pamwe
kufungisisa.Ndakatanga kunzwa kupera
simba nedzungu.Ndakaenda kunorara
muroom mangu.Tracy akauya kundimutsa
kwasviba achiti ndiuye kumubatsira
kubika ndikamuti handisi kunzwa bhoo.

"Usada kunyepa basa rekuba mari yangu


muka unobika wanzwa here" akadaro
achiita kudaidzira kunga munhu ari
kutaura pamike.Baba vakauya vachida
kunzwa chaitora
nzvimbo.Ndakambofunga kuti pamwe
mimba yaTracy ndiyo yakandivenga.

"Ko mai Potse chiii chiri kunetsa"

"Ndikuudza Lisa amuke andibatsirewo


kubika sadza ini ndikunzwa kuneta iye
akuti ari kurwara"

"Lisa haangorari anenge asiri kunzwa


bhoo uri kunzwei mwanangu"
"Ndikunzwa musoro nekupera simba"
ndakadaro ndakuchema.

"Hiiii wadiii wataura nguva iripo


ndamhanya newe kuchipatara saka
ukuda kudyei ndikutsvagire" said baba.

"Andisi kuda chikafu baba"

Baba vakabuda ndikaona vadzoka


vakabata drink nechingwa nezvimwe
zvinhu.Tracy akanzi bikira mwanawangu
rice nechicken.Tracy haana kuita nharo
akabika ndikadya baba vakandirinda
vakati mangwana uperekedzwe
kuchipatara namai vako.Takarara baba
vakamukira kurova pasi.Zvanga zviri
worse zvekuti simba rekumuka
ndakarishaya.Tracy akauya kuroom
kwangu akamira padoor.

"Usafunga handisi kukuziva ukunyepera


kurwara kusada kushanda" said Tracy
ndakaramba ndiri ziii.

"Lisa mvura yapera enda


unondichererawo mvura ndikuda kugeza
hembe dzangu rimwe basa ndaita hangu"
"Aaah sorry nezvandiri handikwanise
ndikurwadziwa ndiperekedzeiwo
kuchipatara"

"Yoweee uri kurwara serious here iwewe


Lisa muka unochera mvura now"

"I'm not feeling well ndinzwireiwo tsitsi


handisi kunyepera" ndakadaro misodzi
yava kuyerera.
Tracy akandisimudza akabuda neni
panze akandiisira mvura
yekugeza.Ndakageza akandiperekedza
kuchipatara ndikapihwa
mapills.Takadzoka kumba ndikarara
muroom mangu.Tracy haana kuuya
kundipawo chikafu kana kutarisawo
ndanwa here mapills.Chikafu ndaisachida
asi ndaida kudya ndinwe
mapills.Ndakamuka ndikaona pasina
chabikwa ndakatora chingwa ndikanwa
nedrink.Tracy akandisvikira ndichidya
akasvika kundibvutira.

"Ndakubata manje kunyepera kurwara


kuda zvonaka futseki buda muno" said
Tracy.

"No ndikuda kudya ndinwe mapills chete"

"Temperature yako haina kukwira wani


pataenda kuchipatara ukunyepa"

"Temperature yakakwira tarisai book iri


anyway kana musingadi nechikafu
chenyu no problem"

"Ndiwe munhu akapusa buda uende


kumvura now"

Ndakaedza kuramba asi zvakashaya


basa ndakatora bucket rangu ndikaenda
kumvura apa kwaipisa sei.Ndakatanga
kunzwa dzungu ndikambogara pasi
peumwe muti so.Ndakabva ndabatwa
nehope ipapo ndikazomutswa naDean
ameno aibvepi.

"Lisa ko kubva warara paroad chiii" said


Dean.
"Aaah i'm not feeling well rega ndimhanye
pachibhorani"

Ndakasimuka Dee
akanditevera.Akanditakurira bucket
akandisiya pagate pedu
ndakamutenda.Ndakasvika ndikanzi enda
unochera imwe ndakapera simba
ipapo.Ndakaramba ndakagara
ndikatambidzwa mbama zvikanzi no food
kana usina kuita
zvandataura.Ndakaramba ndakagara
zvechikafu zvacho
ngazvigare.Handingazvimanikidze
kushanda ndichirwara.Ndakanorara
hangu ko kutyei.
Mangwana ndakamuka ndichinzwa zviri
nani.Ndakatora hembe dzangu ndikaenda
kurwizi kunodzigeza.Ndakapedza nguva
ndiriko ndikabva ndagezawo.Ndakadzoka
kumba ndikaisa hembe dzangu
pawaya.Mai Natty vakabva vasvika
pamba pedu.Ndakamhanya
kuvambundira.

"Hesi mwanangu ko mazuvano uri


kudzikira chiii asi hausi kudya here"
"Aiwa mama ndiri kudya pamwe istress
iyo"

"Stress yei mwana mudiki, ko baba vako


varipo here"

"Havapo vakaenda kupenhalonga avo"

"Hooo okay rega ndidzoke mwanangu


ndine zvandaida kutaura navo
zvakakosha kana vakauya
undiudze"vakadaro vakabva vadzoka
zvavo.
Tracy anga akarara zvake.Mazuva aya
anga akuswera akangorara asi paimuka
pacho ndainetswa.

_drop your comments_

*WATCH OUT FOR CHAPTER 11*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/J11WrTw8QE
F9fX7hhzArsK

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*CHAPTER 11*

*Dean*

Dai asiri Lisa akamira mira dai ndisina


kudiwa naNatty.Natty wacho aindinyara
too much ndaimuda hangu mwana
iyeye.Pandakaona Lisa akarara muroad
ndakashaya kuti chiii ndakambofunga kuti
pamwe imimba.Kuti angaita mimba ane
mkomana iyeyu.Pakandiudza kuti haasi
kunzwa zvakanaka ndakanzwa tsitsi anga
ari low low.Ndakamubatsira kutakura
bucket rake kusvika pagate pavo.

"Ko mkoma manga muchiitei naLisa


ndakuonai makatakura bucket rake" said
Daisy.

"Zvinei newe Daisy haugoni kunyarara


here"

"Ukandiitira hasha mhamha ndovaudza


uchida ndisavaudza nditengere mazepi
aya aya andakambotengerwa namkoma
Hakim" said Daisy.

"Ndinoshanda here nhai Daisy


handitorinawo mari chero kuvaudza
mama handina basa nazvo"

Ndakakasiya kahanzvadzi kangu


ndikabuda kunotaimira
Natty.Ndakamuona tikaenda zvedu
kunogara pasi peumwe muti.Ndakatanga
kutaura nyaya nemusikana wangu.Natty
ainyara nyara hake ndaizviona ndaida
kuita zvekuti tijairane asandinyara.
"Natty ko kuti ziii asi ndiri kukubhowa
here"

"Aaah ukuda nditi chiii Dee"

"Kungotaurawo neni ka"

"Inga tikutaura wani Dee"

Pasina time ndakaona blaz vaNatty


vachifamba pedyo nesu.Ndakabva
ndakwira mumuti waiva paside
pacho.Vanga vasina kundiona
havo.Naison ndaimuziva pamaoko amira
kwete zvekunyeperana ndaimutya
hangu.Rimwe gore akamborovana
neumwe mufesi wekwaMajokota kurwizi
uko ndipo pandakaona kuti haana kumira
fine.

"Ko uri kuitei kuno iwewe hauna kuti uri


kuenda kwana Lisa here" said Naison.

"Aaah ndabvako ndati ndiuye nekuno


kutsvaga huni"
"Saka dziripi huni dzacho"

"Mkoma Naison chiii nemi mukundifudza


kunga mwana mudiki kuti zvidiii"

"Akusi kukufudza asi tiri kuedza kuti


usafurirwa nemaboora ngoma emuno
asina kana nechinhu"

"Ndazvinzwa mkoma"
Ndaiona zvangu ndiri mumuti zvaiitika
pasi.Ndakatarisa kumberi kwangu
kwakuona hezvo zinyoka ranga
rakatarisana neni.

"Yoweeee nyoka nyoka" ndakadaro


ndichideedzera ndikabva ndadonha pasi.

Kudonha kwandakaita kwakavhundutsa


Naison naNatty.Handina kunyanya
kukuvara hangu.
"Asi muri mese here" said Naison.

"Tese nani blaz ini ndikutsvaga mapote


angu"

"Mapote anotsvagwa mumuti here iwe


mupfana mira ipapo" said Naison.

Ndakabva ndavhura mapombi kutiza


Naison ndaimutya hangu.Hazvizobude
kurohwa pamberi pemusikana wako.Dai
pasina Natty ndaisatiza
hangu.Ndakasvika pamba ndava
kufemeruka ndikasvika mama vavapo
vakatanga kutaura nyaya yaLisa.

"Uri kudanana naLisa ka iwewe washaya


vasikana here sei uchida kundinyadzisa
Dean"

"Ati ndikudanana naLisa ndiyani sei


muchiterera makuhwa"

"Dean ndoshaya kuti hunhu hwakaora


hwakauwanepi pavanhu vese wodanana
naLisa Potse asati akugona kana kugeza
chaiko even kupfeka chaiko haagoni,
anopfeka kunga ari kuda kubudirwa
nemidzimu" said mama.

"Mama zvamuri kuita zvakashata Lisa


wamuri kudzikisira kudaro pamwe ndiye
achakubatsirai mangwana zvinhu
zvogona kungomuka zvakachinja"

"Kundibatsira nei anei chaanacho ndini


ndingato mubatsira"

Ndaisada zvekuiitisana nharo namai


vangu.Ndakapinda muroom
mangu.Pasina nguva ndakanzwa
kutinhira kwemota.Ndakatarisa
nepawindow ndikaona ari
Davies.Ndakabuda kutambira mkoma
vangu ndakafara.Mama vakafara
nekuona mwana wavo.

"pane akambozvionawo here kuti Daisy


ane kakufanana kakaita naLisa"
ndakadaro.

"Futseki saka nyaya yako iri pakudii


,ukuedza kuti ndakahura nababa Lisa
here iwewe ndakakuona hangu kuti
wakukura musoro kuti uve zvauri ndini
wakukanganwa" said mama.
"Sorry Mama musatevedza zvaDean uyu
ari kuwanza mangemba"said Davie.

"Ini ndatsamwa mukundifananidza naLisa


akashata saka ini ndakashata here asi
azvisi fair" said Daisy.

"My lil sister handei ndinokutengera


mazepi ako siyana naDee uyo anopenga"
said Davie.
Akabva abuda naDaisy.Ndakasara
namama vanga vakabata shaya ndikaona
kuti shasha iri kufungisisa.Pasina time
Davie naDee vakabva
vadzoka.Ndakabuda ndichinoona Lisa
hangu.Ndakaenda pamba pavo straight
ndikasvika achirohwa nastep mother
vake.Ndakanzwa tsitsi aingochema
asingadzoreri.

"Iwe Tracy stop it ukaramba uchiita hunhu


hwakadai pano haupagari" ndakadaro.

"Ndiwe ani unondiudza matsvina akadaro


Lisa imbavha aba hembe dzangu
dzandaisa pawaya apo ndadziona
muroom make"

"Andina kuba inga ndati ndadzitora


nemistake ndanga ndichida kudzidzosa
ini" said Lisa achichema.

*Lisa*

Pandakabvisa hembe dzangu pawaya


ndakabanidza nehembe dzaTracy
nemistake.Ndakazozviona
ndakurongedza hembe dzangu.Ndipo
paakapinda munhu achipopota kuti
ndamubira hembe dzake.Ndakaedza
kumutsanangurira kuti ndaita nemistake
haana kunzwisisa akabva afo era baba
vangu.Baba vakati munhu ngarohwe
ndiko kuti achinje.Ndakarohwa ndipo
pakasvika Dean akandinunura.

"Tracy dai uri umwe wabata vana ava


zvakanaka ukadaro uchaona vachikupa
respect uyu Lisa hatina pr......." akabva
agurwa asati apedza kutaura.
"Eehh chikomana tanga wanodzikamisa
mai vako wanzwa here apana
chaunondiudza ndini mai vepano Lisa
mwana wangu saka iwe ukutaura
wakamira saani" said Tracy.

"Lisa my friend vakakurova usadzorera


vakakutuka usavatukawo ziva Mwari vari
kuona, be strong my lil sister zvinopfuura
izvi just pray kuna Mwari vakupe simba
rekukunda vavengi" said Dean akabva
aenda hake.

Tracy akatevera Dee ameno vakaitana


sei ikoko.Ndakaona Tracy adzoka
akasvava.Ndakaswera ndiri pamba zuva
iri.Tracy anoshandisa mvura kunga ari
kudiridza mugarden apa asingazocheriwo
mvura yacho.Yakapera ndikanochera
imwe ndakanyarara hangu.Ndiri kufamba
muroad ndakapotsa ndatsikwa nemota
ndikadonhedza bucket rangu
rikapwanyika.Ndoshaya sei vanhu ava
vachinhanyisa mota muroad dzofamba
vanhu nemombe.Mota yacho yakamira
ndikaona ndiDiva akabuda mumota.

"Eish I'm sorry young girl" said Diva


achibata bucket rangu.Paakasimudza
chiso akasanganidzana nemaziso angu.
"Ndiwe Lisa ko hindava uchifamba kunga
rwaivhi muroad"

"Kana ndirini ndine problem sorry sir


handina kunga ndaziva" ndakadaro
maziso angu atojenga misodzi.Ndakatora
bucket rangu ndikatanga kufamba kuenda
kumba ndanga ndakutochema.Sei pese
ndichinzi ndiri wrong munyama rudzii.Diva
akanditevera akamira pamberi
pangu.Ndakapukuta misodzi yangu.

"Lisa I'm sorry nezvandakuita I know


zvakubata bata ndini ndiri wrong handei
ndinokupa bucket rako ra ndapwanya"

"No problem Diva zvinoitika mulife"

"Don't cry please hazvina kumbokufita"


said Diva.Ndakashamika kuti Diva kuita
care neni asi ane zvaari kuda kwandiri
kani.

"Chienda unondimirira pachibhorani apo


ndikiuya nebucket rako rakafanana
neraputsika iro"
Akabva apinda mumota make
akaenda.Ndakatadza kuzvitambira kuti
ndiDiva aitaura neni zvakanaka
kudai.Diva ndanga ndakamuvenga but
ameno chiii chakaita
ndimuterere.Ndakagara kwenguva
kwakusviba Diva akauya achifamba
netsoka akabata bucket ranga rakafanana
nerangu raputsika riya.Akasvika
akadhaya bucket riya
rikazara.Ndakaramba ndiri zii zvangu.

"Sorry Lisa usanditya I'm sorry pane


zvese zvandakakutadzira" said Diva.
"Okay Diva zvakapera thanks" ndakadaro
ndichida kutora bucket akaramba naro.

"Mira ndikuperekedze Lisa"

"Handisi kuda kuperekedzwa ini sorry"


ndakadaro.Diva wacho anga ane nharo
wena.

"Ko Lisa wakazvimba dama wakarohwa


nani"

"Handina kurohwa ndakarumwa


nenyuchi"
Diva akatakura bucket rangu akandisiya
pagate pedu.Ndakamutenda ndikapinda
mumba ndikasvika hezvo Tracy haasati
abika.Tracy anga akarara pafloor
ndakaedza kuvabata ndikaona munhu ari
zii.Ndakarohwa nehana munhu
wandasiya akasimba.

Ndaingonzwa kuti munhu akafenda


anodirwa mvura.Ndakavadira mvura
munhu akamuka achitarisa tarisa mumba
kunga pane chaiona.
"Ko chiii chikunetsa amana ndanga
ndakutya" ndakadaro.

"Asi Lisa ndiwe hako haudaro unoda


kundiuraya here"

"Ko ndaita sei ini"ndakadaro.

"Usada kundiita benzi iwe ndinokurova


wanzwa ko weave yawanga wakapfeka
waiwana kupi" said Tracy.Ndakatanga
kuvhiringika kuti ari kumboti chiiiko uyu.
"Weave ipi yamuri kutaura"

Ndakabva ndapihwa mbama zvikanzi


usandiita benzi ndakavasiya
vakadaro.Ndanga ndava confused
nezvavaitaura.Ndakanobika sadza
nemavegie munhu akaramba akati andisi
kuda mavergie ndakavasiya
vakadaro.Ndakadya pangu ndikaenda
kunorara.Pakati pehusiku ndakanzwa
noise yaTracy achibuda mumba ari speed
ndakabudawo tikanomira kunze
kwegate.Ndanga ndichiti pamwe
tapindirwa nemurume mumba.
"Ko chiii chamaona"

"Lisa futseki mhani ndiwe wandihwandira


kupinda mumba mangu ukabatidza
candle "

"Handisini imi mukutadza kuona here"

"Ndiwe Lisa ndoda kutoudza baba vako


ini ndakutadza kukurova hauchinje
wakundityisidzira manheru izvozvi
ndakutya"
"Kutaura chokwadi andisini dai
mandinzwisisawo"

Takadzoka kunorara asi vakauya kurara


neni muroom mangu.Mangwana
makuseni vakafuma kupopota hanzi
patarara tese hazvina kuzoitika saka zviri
pachena ndiwe waindihwandira.Baba
vakaudzwa vakati vari kuuya
soon.Nokutenda akabva asvikawo
ndakamhanya kumumbundira ndanga
ndamusuwa mwana wamai vangu.

"Kwanga kuri sei kwatete wasiya vari sei"


"Hiiiiii sis kunonakidza next time ndoda
kuti tiende tese ndoda tinakidzwe tese"

"Saka hausi kundiona here Noku"said


Tracy.

"Ndiri kukuonai manga mati chiii"said


Noku.

"Ndiwe wauya nedzungu Lisa kubva


pawakaenda haana kumbondidaira rough
ane nyaya dzake dzekundihwandira
manheru" said Tracy.
Takaisa mabag aNoku mumba
tikambotaura nyaya.Ndanga ndamusuwa
akati tiende kugarden tikaendako.

"Sis tell me ishuwa here kuti maihwandira


Tete Tracy"

"Kunyepa nezuro ndakabva kunochera


mvura ndikasvika dzakafenda ameno
dzikuonei dzakuti ndikudzihwandira"

"Aaah saka vari kuonei "


"Ameno kuti vari kuonei zvavanoona vega
zvatisingaoniwo"

"Hooo sis ndakaudza tete zvese magariro


edu vakati vakuda kuuya kutitora tese
pandopedza kunyora" said Noku.

"Baba vanobvuma here remember pakafa


mama mainini mai Ropa vakada kutitora
kugara nesu asi baba vakaramba"

"Tete havarambike avo hamuvazive


mushe ndoda tiende kwatete vanonakidza
vanondiudza nyambo zuva nezuva"

"Haaa wakanakirwa ndikuzviona"

Takabva mugarden tikatanga kufamba


zvedu.Tikasangana naDiva muroad
akaisa maearphones
munzeve.Akatimhoresa ndini ndega
ndakadaira.

"Ko Noku ndiwe wega usina kudaira" said


Diva.
"Mkoma saka munhu anomanikinzwa
kudaira here" said Noku.

"Noku handisi kukumanikidza kana


usingade kutaura neni handikumanikidze
ndotaura hangu naLisa munhu
kwaye"said Diva

"Diva kana ukakonana naNoku


watokonana neni futi" ndakadaro.

"Asi manga makuwirirana kani imi" said


Noku akanditarisa.
Daisy akabva abudikirawo ameno aibvepi
akauya kumira pana mkoma
vake.Ndakaramba ndakakatarisa handina
zvandakataura.

"Ko iwewe nyaya yekunditevera ndakati


chii Dee" said Diva.

"Aaah mkoma inga mati enda unopfeka


bhutsu tibude pandapedza kutarisa kudai
munhu apasisina ndabva ndatevera"said
Dee.
Takavasiya tikaenda kumba ndakacheuka
ndikaona Diva anga akanditarisa.Noku
akazvionawo akati sis Diva andichamuoni
mushe.Ini ameno chiii ndainzwa kuda
kuramba ndichitaura naye.Takasvika
pamba ndikaona Tracy ari kubika zvake
sadza rinokwana munhu one iye chete.

Drop your comments


*watch out for chapter 11*
[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/J11WrTw8QE
F9fX7hhzArsK

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587
*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 12*

*Davie*

Kwandiri ndanga ndakuona kunga


vasikana vese vakangofanana.Bella aka
ndirwadzisa pamoyo chaipo zvekuti
ndikazvifunga
ndinorwadziwa.Ndaimboedza
kuzvikanganwa asi zvairamba ndizvo
zvakaita ndinyanye kunwa doro too much
nekukecha mahure.Ndakazokumbira off
kubasa ndikamboenda kumusha
ndichimborohwa nemhepo ndiri
ikoko.Ndakapotsa ndatsika Lisa bucket
rake rikapwanyika.Haana kundiita rough
akatanga kuenda achibudisa misodzi
ndakanzwa tsitsi kuti apa ndaita hutsinye.

Lisa ameno nditi ndanga ndane


mafeelings naye ipapo
ndinganyepa.Ndainzwa kuda kuramba
ndichitaura naye asi iye anga ane
kakunditya.Mazuva akafamba ndiri
kumusha ndaiona Dean anga
akupengesana naNatty.

"Ko Dean ndiri kunzwa kuti uri


kufambidzana naNatasha ichokwadi here"
vakabvunza mhamha.

"Ehe ichokwadi mama ndakambokuudzai


paya mukati ndonyepa musikana
wamkoma Dee uyo" kakadaro Daisy.

"Futseki kushata ngakanyarare aka


unozivei iwewe usada kunzi unoziva
zvese" said Dean achireva Daisy.
"Dee siya mwana pindura mubvunzo
wangu une shuwa ungadanana netype
iya washaya vasikana here" said mama.

"Mama chiii chamunoshoora pana


Natasha inga musikana akadzikama
munoda musikana akaita sei" ndakadaro.

"Hezvo newewo wakutora side risiro


musikana uyo handingomufarire hangu
ndine zvakandakaona paari ndava munhu
mukuru ini"said mama.
"Chero zvamataura hazvinditadzise kuda
munhu wangu munoti handisi kuziva
mukupinza chigrudge chenyu here manje
Natasha ndiye wandiri kuzoroora mkoma
Hakim ndakatovaudza futi"said Dean.

Mama vakasimuka vakarova Dean


mbama.Mhamha vakapopota zuva iri
ndakasiyawo zvakadaro ndikaenda
kunogara kugarden kwedu.Ndainyanya
kufamba naDee kahanzvadzi
kangu.Ndakaona Lisa naNoku
vachipfuura pedyo nepagarden pedu
ndofunga vaienda kuhuni
chete.Ndakatanga kutevera kumashure
ndikaona zveshuwa vari kuenda
kuhuni.Noku akacheuka akandiona
akabva amira.

"Ko iwewe Diva uri kumbodei kwatiri "


said Noku.

"Ndikungoda kuita shamwari yenyu chete"

"Asi mkoma mama vakati handidi kuona


muchitaura nana Lisa ava" said Daisy.

"Dee nyarara wanzi utaure nani"


ndakadaro kakabva kanyarara.Lisa anga
akatarisana naDee aita kakumufananidza.

"Nokutenda zvauri kundifungira azvisizvo


ndikungoda kuwirirana nemi chete,ko Lisa
hindava kuti zii"

"Ini mitemo wangu handitambe


nevakomana kana uchitamba nasis vangu
azvirevi uri shamwari yangu" akadaro
akatanga kufamba Noku.Noku anga
achine dzungu ndaimuona hangu.Lisa
ndakangotaura naye ndikabva ndadzoka
hangu.
Ndakadzoka ndikasiya Dee pamba
ndikaenda kumagirosa ndikapinda
murimwe bhawa so ndikatenga beer
rangu.Ndakatanga kunwa ndakabuda
ndaita kudhakwa ndainzwa kuda
musikana.Ndakatora kamwe kamusikana
kandakarara nako mumota mangu asi
ndakashandisa
maprotections.Ndakazoona musikana
wacho ndiFadzie ndakapera simba
ndanga ndakakavenga.

"Oooh sorry handina kuziva kuti ndiwe"


ndakadaro.
"Hooo ndipe mari yangu yekurara
kwawaita neni"

Ndakakapa mari ndikabva ndaenda


kumba doro ranga richiri
mumusoro.Ndakasvika kurara kusvika
kwasviba.Ndakamuka ndikaenda
kuchibhorani ndaida kutaimira
Lisa.Ndakasvika atoriko anga ari ega
zvake.Ndakatanga kutaura naye voice
raLisa rinoita kunga rine auto tune
kukwenenzverwa.Rine kamwe ka
sansetion kangori disposition kekuti
unobva wanzwa ka enthusiasm kane
magnetic anisotropy mukati.Kavoice
kacho kari inexpressible to explain.

"Lisa une foni here ndoda kuzotaura


newe ndadzoka kutown" ndakadaro.

"Ndoiwanepi foni nhai mkoma Diva


muchida kutaura neni mofona pafoni
pamama Tracy" akadaro.

"No azviite mira chakutsvagira kafoni


kekukupa ndoda kuzotaura newe"

"Iiiiiih handide foni yenyu mkoma


ndinozorohwa nababa vangu"
"Lisa you know I l......" ndakabva ndamira
ndaona Noku asvika akamira paside
naLisa.

"Sis mukudiwa kumba ,asi imi modanana


here ndiudzeiwo sis Lisa"

"Noku handidanani naDiva how many


times ndichikuudza"

"I know mukundinyepera asi kana


muchidanana ini ndiri agnaist rudo
rwenyu nekuti I hate this boy nxaaa" said
Noku.

Noku akabva aenda Lisa akateverawo


ndakasara ndakamira ndega.Noku uyu
aida kuporonga madhiri angu haandizive
mushe uyu.Asi Noku wacho anondida
kani pese pandotaura nasis vake anoda
kungoita agnaist me.Ndakadzokera
pamba ndanga ndafunga kudzokera
kughetto mangwana acho.Zvekuswera
kushainirwa nana Noku vasati vakugona
kugeza azvina kana basa.Ndakasvika
pamba vanhu vakutodya chikafu
chemanheru.Asi mama wainyatsoona kuti
pane zvavaifunga.Ndakavabvunza vakati
apana chavari kufunga.

*LISA*

"Sis sei makapusa imimi" said Noku.

"Iwewe wava kuzondijairira manje


wanzwa saka kutaura nemkomana
zvoreva kuti ndomuda here"ndakadaro.
"Maitiro enyu ndikuzviona munomunoda
Diva uya haakudei sis ari kuda
kungokuitisai chete"

"Ndati handidanani naye mhani


ndakuzokurova manje"

Noku aida kutoonererwa ndoshaya chii


chaivengera Diva inga akati sorry.Mazuva
akafamba zvikoro zvikavhurwa Noku
akatanga kuenda kuchikoro ndaisara
naTracy dumbu ranga rakukura.Baba
vakazouya vanga vaita
mari.Takatengerwa hembe nyowani
nebhutsu nababa ndakafara
zvisingaite.Diva anga asisichabatike apa
ndanga ndamusuwa.Ndakashaya kuti chiii
kusuwa munhu wandisingade pamwe
zvoitika.

"Natty zvinoitika here kusuwa munhu


wausingade hako"

"Hehehede ko ndiani wawasuwa besty"

"Aaah ameno zvikuitika pandiri asikana


musandisekawo ndasuwa Diva ini"
"Lisa hausi kuzviona watova
nemafeelings naDiva"

"Aaah unonyepa handina mafeelings


naye ini"ndakadaro.

"Ngaipere uchazondiudza hako but


chimwe chinhu chandoda kukuudza Lisa
ukaita mkomana usamhanya kurara naye
please zvibate" said Natty.

"Handirare nemkomana zvekudaro ini


andina kupusa"
"Nyamwe isu taitombodaro asikana
kungoti unonyengererwa ukasvika
pakubvuma ini andisi kuda kuti zvakaitika
pandiri zviitike futi pauri"

Ndakatenda Natty nemashoko ake.Asi


pakuti ini ndoda diva
ndakaparamba.Ndakaenda kumba kwana
Natty ndikasvika mai vake vachitosona
havo matrouse emurume
wavo.Takakwazisana zvedu ndakagara
pedyo navo.

"Mama ko tell me Daisy mwana waMai


Matemba ane kakufanana namai vangu"
ndakadaro

"Wagona wabvunza ndaida


kutobvunzawo akafanana newe Lisa
hauzvioni here kungoti iye akazoita
mutsvuku hake" said Natty.

"Zvamuri kutaura mazvionepi vanhu


vanogona kungofanana munozviziva
here"

"Ehe vanhu vanofanana asi imi pane


zvamuri kuhwandisa chete mama udzai
Lisa mama please" said Natty.
"Iwe Natasha enda unogeza hembe
dzako now pano ndisare naLisa"

"No mama ndikuda kunzwavo nyaya


yacho"

"Unei nayo nyaya yacho saka chimuudza


nyaya yacho ini ndiende kunogeza hembe
dzako" vakadaro mama Natty.

Natty akasimuka arembesa chiso


akaenda kuseri achida kuterera nyaya
yacho.Mai Natty vacho apana
chavakataura vakangoti apana nyaya
iripo apa vanhu vanogona kufanana.Asi
mashoko avo ekupedzisira vakati kana
paine zviripo zvichabuda.Mama vangu
vasati vafa pane zvavakasiya vaudza mai
Natty pamwe masecrets avo ameno.Asi
chandaifarira Mai Natty vaindibata
semwana wavo.Ndakaperekedza Natty
kunogeza hembe dzake achiti asuwa
Dean.Ndaiudzwa zvese hanzi heee he is
a good kisser what what.

"Uchamitiswa naye Dean wako ameno


hako"

"Haandimitise uyo handirare naye


zvekudaro andina kupusa ini"
"Ndazvinzwa Mai Matemba Jnr"

"Watanga Lisa newe futi uri Mai


Matemba" akadaro.

Takasvika tikatanga kugeza hembe dzake


tichiita nyaya.Zuva iri rakandinakidza
handidi kunyepa.Ndakazoenda kumba
zuva rava kuvira ndikasvika Noku atovapo
achipopotedzana naTracy.

"Sis munoona zvichiitawo here zvikuita


tete ava vakundigezesa mandiro apa
avana kana kundisiira chikafu chacho futi"
akadaro Noku akubudisa musodzi.

"Ko chikafu chako chirimo wani Noku


enda unotarisa" ndakadaro ndikapinda
mukitchen ndikaona musisina.

"Asi sei mune hutsinye madyirei chikafu


chake zvino odyei manje Noku"
ndakadaro.

"Iwe nyarara une nyaya yako


yekusaswera pamba waswerepi baba
vako ndikuvaudza vari kuuya iwewe Noku
geza mandiro aya"

"Handisi kuda kumageza kusvika


mandipa chikafu changu"

Tracy akatora mugoti akarova nawo Noku


kumusana ukabva waguka.Noku
akatanga kuzhamba achiridza
mhere.Anga arwadziwa ini
ndakanomubata ndichida kuona haana
kukuvara here.Mai Munya vepanext
vakabva vasvikawo vakatora
Noku.Vakaenda naye kumba kwavo
vakamupa chikafu akadya akadzoka
akatanga kugeza mandiro aya.Ndofunga
anga atsiurwa ameno.
"Ko wanzi chiii namai Munya"

"Vandipa chikafu sis vati imimi sevana


ibasa renyu kugeza mandiro kuita
mabasa epamba apana chamunobva
shandai makanyarara noise ngaiite
shoma"

"Ehe vataura chokwadi saka ini mira


ndigeze ndoda kumbosvika kumagirosa"

"Kunoona ani sis"


"Ndoda kunotenga mafuta angu ekuzora
ka"

"Mari yacho makaiwanepi ndipeiwo


yemazep"

"Noku wakura wakuda kusvitsa 15yrs


uchikutaura zvemazep haaa handikupe
pihwa nababa"

"Magara monyima imi"

"Mafuta acho ndikamatenga tinongozora


tese saka problem yako iri papi Noku"

Mazuva akafamba baba vakadzoka


kubasa kwavo.Tracy ainetsa hake asi isu
tanga takumuziva tainyarara.Noku
akatanga kunyora akapedza naDean
akanyora akapedza akabva adzoka
paden.Diva haana kana kuzombobatika
hake.Rudo rwaNatty naDean rwakasvika
munzeve dzaMai Natty vaisada nemwana
wavo.Yakaita nyaya pakati pamai
Matemba naMai Natty.
"Saka pese apa paunenge uchibuda
uchinyepa kuti ukuenda kwana Lisa
unenge uchie nda kunoona Dean ka"
vakadaro Mai Natty vachituka Natty
mushure mekunga vamurova.Natty
wacho aingochema ari ziii asingapindure.

"Haugoni kuitawo zvinoita Lisa here


andisati ndakambonzwa kuti ane
mkomana kasira kunyarara ndisati
ndakupamha futi"

"Lisa ramba wakadaro usabvuma


kufurirwa nebenzi iri, vakomana ndiri
kukurambidzai nekuti vemuno ava
havakudei vanongoda kurara nemi vosiya
ndofunga mbuya iyi yakutoziva varume
chete"

"Mhamha musadaro anzwa tauraiwo naye


zvakanaka" ndakadaro.

"Zvakatondibhowa ufunge zvapfuura


mese mazvinzwa andidi kukuonai
muchitaura netukomana twekwaMatemba
ndatopedza even you Lisa handidi futi"

Takabuda naNatty kuenda kuchibhorani


anga ari zii.Takasangana naDean
takataura naye kwekanguva kadiki
akabva aenda.Taitya kusvikirwa namai
Natty.Zvino Diva akauya ndotaura naye
sei zvatatorambidzwa kutaura navo
vakomana ava.

"Chero mhamha vakandirova sei Dee


wangu ndomuda azvichinje" said Natty.

"But haufane kuonekwa unaye Natty"

"Chero vakandiona kana kusandiona


andina basa nazvo hausi kuzviona here
kuti mama vari kuedza kui tivenge vanhu
vekwaMatemba nekuti ivo havawirirane
navo ndezvavo izvo"

"Natasha usadaro mama vava munhu


mukuru vakuziva zvakawanda"

"Tomboti kudaro hedu asi vandibhowa


kutaura fair"

"Ndizvo zvinoita machembere shaaa


apana mubereki anofara akanzwa kuti
mwana wake ari kudanana nanhingi
kunyanya isu vasikana vanenge
vakatarisira zvihombe kubva kwatiri"
Takapesana ndikaenda kumba ndikasvika
ndichiona mota pachivanze
pedu.Ndakashamisika kuona .........

Drop your comments

*WATCH OUT FOR CHAPTER 13*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*
https://chat.whatsapp.com/J11WrTw8QE
F9fX7hhzArsK

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*CHAPTER 13*

*LISA*

Ndakaona mota yanga yakamira


pachivanze pedu.Ndakashamika kuona
zvavari mainini Mai Ropa munin'ina
wamai vangu.Takagumisira kuvaona
parufu pamai vangu ndakafara
ndakamhanya kuvambundira nemufaro.
"Mama long time ndanga ndakusawai"
ndakadaro.

"Kana neni mwanangu ko mai vandaona


vane nhumbu ndiani"

"Mkadzi wababa uyo asi manga


musingazvizive here" ndakadaro.

"Hezvo Potse akoma saka sei


akandirambidza kukutorai saka
mogarisana namai avo zvakanaka here
pandasvika vafinyama sekunga ndivo
vatanga kuita nhumbu kunga
inoshamisira" said Mai Ropa.

"Kurarama zvekukiya kiya pano hatina


rugare tinoitwa yese naiye Tracy uyu"
ndakadaro.

"Manje pano amusi kuzosara ndoda


kunogara nemi kutown uko,ko Noku aripi"

"Hiiiii shuwa ndoda dai baba


vakasaramba Noku anenge ari paMai
Munya apo mira ndimudeedze"
ndakadaro ndikashevedza akauya
achimhanya akajambira mainini
nemufaro.

"Mandivigirei mainini"

"Aaah Noku wakura manje watobudawo


mazamu iiiih muri kukura asikana" said
mai Ropa.

"Vari sei sis Ropa"

"Ari bhoo hake"


Takapinda namainini mumba tikagara
pamasofa tikatanga kutaura nyaya
navo.Takabudisa grocery ravanga
vatenga.Tanga tatengerwa hembe but
eish dzangu dzanga dzakanyanya kubata
muviri kuti ndidzose zvaisaita
ndaidzida.Noku ndiye akatadza kukwana
akanzi achatumirwa dzimwe panodzoka
mama.

"Lisa mwanangu inga idiki ndipe


ndodzosa ndonotora dzaunokwana"

"Aaah mama ko mukasadzoka futi


ndodzida dzakadai" ndakadaro.
"Aaah asi unoda mamini skirt saRopa
ndiyo nyaya yandinotukirana naRopa
iyoyo"

"Ehe ndopfeka netrouse mukati ini"


ndakadaro.

"Hazviite Lisa ndipe ndokuvigira dzimwe"

Ndakavadzosera hembe dziya apa


dzanga dzakanaka sei.Tracy akabva
amira padoor akanyarara akatarisa Mai
Ropa.
"Saka ndimi makagara sis vangu nhaka
here sista" said Mai Ropa.

"Mauya kunetsana neni here mbuya imi


ndambotaura nemi here pamasvika" said
Tracy.

"Hezvooo undikwanire iwe muroyi


ndinokusvina kamimba ako ,Noku naLisa
torai hembe rongedzai hembe tiende"
said Mai Ropa.
"Ava akuna kwavanoenda " akadaro
Tracy achibaya baya foni.Pasina time
baba vakafona pafoni pamai Ropa vachiti
siya vana vangu.Ivo Mai Ropa vakati
vanodzoka vana venyu asi baba
vakarambisisa ndakabhoekana.Mainini
Mai Ropa vakabva vaenda asi vakati
vachazotumira hembe.

"Kwenyu ndekuno munoda kuendepi


muchindisiya ndega" said Tracy achiseka.

Takamusiya akadaro Tracy tikanoita


zvedu zvekubika.Takadya iye aiti akaguta
ameno anga adyei.Takarara zvedu
naNoku asi ndaitofunga hangu umwe
munhu.Makuseni takamukira kuita basa
Tracy achakarara.Akazomuka basa
tapedza.

"Noku ndichimboenda kunoona Natty"

"Okay handei tese"

"Mukurumidze kudzoka vana imi" said


Tracy.

Natty aiva akagara zvake ndakaziva kuti


shasha haichabvumidzwi kufamba.Kuuya
kwangu akafara nekuti aizowana
mabudiro.Mai Natty vakafara vachiona
Noku nekuti vanga vane nguva vasiri
kuonana.

"Nokutenda uri sei anga ari sei ma


exams"

"iiiih anga akaoma ayo ameno ndikapasa"

"Unopasa mwanangu"
"Isu tichambobuda mama sarai naNoku
uyu" ndakadaro.

Takabva tabuda naNatty aida kutoona


Dean.Takasangana namai Matemba
vachibva kumashops vaitofamba netsoka
ndofunga mota yavo yanga isina
fuel.Mazuvano avachanyanyi kufamba
nayo pamwe yakafa.Hatina kana
kuvamhoresa takaramba tichifamba.

"Imi vasikana dzokai pano" said Mai


Matemba takadzoka kwavari.

"Saka vabereki venyu vakakuti


musamhoresa vanhu vakuru here, iwewe
Natty usiyane nemwana wangu zviri
kunzwika here"said mai Matemba.

"Mwana wenyu upi wacho nhai mama, ko


Daisy mwana waani tell me"

"Futseki mhani vana imi musapindira


nyaya dzamusingazive, zvaDaisy
zvapinda papi asi mai vako pane
zvavakuudza kani"

"Ehe vandiudza kuti Daisy mwana


wa....."said Natty.
"eeeh stop it young girl go to hell mese
namai vako" said Mai Matemba
vakatanga kufamba.

Mai Matemba avana kufara nezvakaita


Natty.Iye Natty ari kuti ari kutsvaga
pakatangira grudge revabereki vedu.Dean
takasangana naye akati Diva aifona aida
kutaura neni ndakafara.Akafona
ndikataura naye kwenguva yakareba asi
ndakafara andidi kunyepa.Akati achauya
kundiona paweekend.
"Dean une mapictures aDaisy achiri
mudiki here"

"Hooo ako kairamba kuyamwa mukaka


kachiri kadiki"

"What saka kainwa mukaka upi nhai


Dean" ndakabvunza.

"Asikana nyaya iyo ngaipere"


"Inzwai noise guys ikubva pamba penyu
Natty"

Takamhanya kumba tikasvika hezvo mai


Matemba naMai Natty vari busy
kutukana.Dean akasvika kutora mai vake
akaenda navo kumba.Mai Natty vakabata
Natty vakamurova zvakasimba.

"Iwewe ndakakuti chiii nenyaya yekuda


kutsvaga zvisinei newe" said mai Natty.
"Mama mandirova henyu asi apana
zvandamboita zvakashata ini bvunzai Lisa
anga aripo"

Mai Natty vanga vakagumbuka ndanga


ndakutotya ndakatora Noku tikadzoka
kumba.Weekend yakasvika Diva akauya
ndakabuda kunomuona hangu.Ndanga
ndakachenawo ndakapfeka dress
randakatengerwa nababa vangu
riya.Takaenda kunogara kune mamwe
matombo aiva pedyo nekurwizi.

"Lisa ndanga ndakusuwa thanks nekuuya


kundiona wagona wauya wega nekuti dai
Noku aripo iiih"

"Hoooo shuwa here"

"Yeah Lisa ndaikufunga shaa"

"Diva ukunhuwa doro you know what I


hate vanhu vanonwa"

"Haaa maya ini handinwe ndangonwa


kubvisa nyadzi kuti nditaure newe
zvakanaka"
"Okay ndazvinzwa ndakuenda"

"Lisa tanga taonana nguvai"

"Iya asi hausati wandiona here Diva"


ndakadaro.Kutaura chokwadi ndaida
kuramba ndiri pedyo naye asi
ndaisakwanisa kuzvibudisa pachena.

"Lisa akuna kwauri kuenda uchatoenda


kumba kwasviba ndikuda kuswera newe
ndiwe munhu wandafambira" said Diva.
"Aaaah kwasviba tichiitei nhai Diva ndini
ndine duty rekubika nhasi"

"Noku ariko anobika"

Akandibata ruoko tikatanga kufamba


achindiudza nyaya
dzinonakidza.Takasvika pane umwe muti
tikambogara ipapo.Diva akatanga
kundiudza kuti anondida.Ndakashaya
nechekutaura,kutaura fair ndaimuda asi
ndainyara kumuudza.

"Lisa ndiri kurevesa"


"Ndoziva sei Diva kuti unondida unenge
ukuda kundiitisa iwewe inga musikana
unaye wani uya uya"

"Hooo Bella takasiyana naye ihure uya


ndakamuwana akarara neumwe murume
mumba mangu"

"Hooo sorry"

"Zvakapera munhu wandakuda ndiwe


Lisa"
"Ndazvinzwa Diva"

"Lisa I'm serious ndikuda mhinduro"

"Ndichambofunga ini"

"Okay unondiudza tmrw makuseni


pachibhorani"

"Okay Diva"
*Noku*

"Ko sis muri kufareiko nhasi manga muripi


makachena jealous down" ndakadaro.

"Aaah ndanga ndiri kumagirosa uko


naNatty"

"Hooo manditengerawo chii"

"Apana andina mari mwana wamai"


Vakapinda vakachinja sis ndaingoona
smile yavo yanga yakanyanya zuva
iri.Pane chaifarirwa chete chero vaisada
kundiudza havo ndichazvibata.Musi uyu
shasha yakangonyobvora nyobvora
sadza haina kunatsa kudya.

"Ko sis tell me chiii chamufadza kudai"

"Noku apana haungazvinzwisisi"

"Asi mava nemkomana here"


"Ndambodaro here nhanha"said sis Lisa.

"Nhanha ndiani manje"

"Ndiwe ka usingadi sis vako vaite


mkomana"

"Ehe handitodi hangu"

Takatanga kutaura nyaya tichiseka naSis


Lisa manheru.Manheru pakati pehusiku
ndakamuka kuhwandira Tracy muroom
make.Ndakamupa mbama ndikahwanda
pasi pebed.Ndakaona shasha yabuda
mumba iri mufull speed.Ndakaona hezvo
nasis Lisa vava panzewo.Ndakatanga
kuseka zvangu ndichibuda panze.

"Vana imi ka mukuda kundiita benzi ka


iwe Noku wandiroverei" said Tracy.

"Nguvai ndanzwa noise ini ndikahwanda"

"Hakuna umwe ndiLisa chete nhasi


topedzerana" said Tracy.
Lisa wacho akatiza kudzoka
mumba.Tracy akaridza tsamwa akadzoka
kurara.Ndakanoka padoor pake
ndikadzoka kurara.

"Noku zvauri kuita hazvisi bhoo


unopinzisa ini busy"

"Heyy vhurai apa ndakutya kurara ndega"


said Tracy.

Takavhura Tracy akarara pakati


pedu.Takamuka kuita basa.Pasina time
ndakaona sis vakunogeza vakapfeka
zvakanaka.Ndakashaya kuti ndiani ari
kugezerwa nemakuseni ano.Vakabuda
ndikavatevera kumashure ndikaona
vakananga kuchibhorani.Ndakamhanya
kunovabata ndakaona munhu asunga
face.

"Uri kuendepi Noku nemabori enda


unogeza uko"said Lisa.

"Hahaha kundiitira hasha here sis


ndikuenda kunogara hangu pachibhorani
handisi kutevera imi"ndkadaro
ndikanogara pamatombo aivapo.Pasina
time ndakaona Diva asvika akabata
kabag akasvika kutaura nasis.Asi sis
vanga vakatarisa pasi vachibiridzira
kunditarisa.Zvakandibhowa kutaura
chokwadi sis ndiye munhu wavari
kurwarira iyeye.Ndakaenda pavanga vari
ndikaona Lisa avhura ziso akanditarisa.

"Diva stay away from my sister please I


hate you nxaaa"

"Mainini Noku dai mambodzikama please"


said Diva.

"Noku enda kumba now"said Lisa.


"Handidi manje baba ndoda kuvaudza
kuti ndizvo zvamakuita"

"Ndoda kukurova wakajaidzwa mupfana


iwewe" said Sis.

Ndakatiza ndakananga kumba


ndikavasiya naDiva wavo.Ndakaudza
mama Tracy zvese vakafonera baba.

"Ndakazviona kuti Lisa akuziva warume


uya anondipindura rough manje baba
vake vagara vari kuuya mangwana
anochiona"said mama Tracy.

"Zvatondibhowa apa Diva wacho haade


Lisa akungoda kuitisa Lisa chete"

"Ndaona amitiswa orambwa futi mira


ndichamboedza kutaura naye kana
adzoka"

Ndakabuda ndikaenda kunoudza futi Mai


Natty nyaya yacho.Ndaida kuti sis vangu
vatsiurwe nguva ichiripo.Pane something
chaindiudza kuti Diva akuda kungoitisa
sis vangu.Mai Natty vakagumbukawo
vakati Lisa akafurirwa naNatty chete.Sis
Lisa vakazodzoka kwava kudoka munhu
achifara zvake.

"Lisa yawakuita iyi handiifarire kana


kaone ukamitiswa unoita sei manje baba
vako ndavaudza" said Tracy.

"Ko ndikamitiswa ndini ndinenge


ndamitiswa chii chokurwadzai leave me
alone"said Lisa.Pasina nguva mai Natty
vakasvika vakatsiura Lisa kuti ambomira
kuita zvevakomana asi ivo sis vakangoti
handina mkomana.Mai Natty vakarova
pasi zvavo.
"Noku uri satan wemunhu wanzwa muroyi
ko wanzi ufambe uchiparidzirana vanhu
kuti ndodanana naDiva ndiani" said Lisa.

"Futseki newewo uri muroyi


kushata"ndakadaro.

Takatanga kurovana ndikavatsika mutsipa


panyaya dzefight ndovadyira
bhonzo.Mama Tracy ndivo vakabata fight
yacho.
"Noku kushata ndakagara ndakuona
unorwadziwa neni" said sis Lisa.

"Whatever ini mondiona sendiri kuita


utsinye but ndikuedza kukubatsirai
otherwise muchazotinetsa mazvimbirwa
apa"

"Lisa terera mashoko aNoku ari right


imimi vana ndimi vanhu vasingafani
kurovana muri kuzvinzwa here iwewe Lisa
wagara une hunhu hunosemesa ndosaka
warova nemwana" said Tracy achiseka.
Lisa akaenda muroom make akazvirarira
kana chikafu akachiramba.Ndakanorara
hangu ndakazvimbirwa ndanga ndadya
neshare yaLisa aramba uyo.Makuseni
ndakamuka kuita basa Lisa akamuka
akageza zvake akanogara kuseri
kwemba.Ava masikati ndikaona munhu
akunogeza futi kana mkomana wacho
akazoitwa nebenzi.Lisa akabva abuda
hake akapfeka kamwe kaskirt keblack
kanga kakanaka.Handina kuda
kumutevera hangu ndanga ndakamirira
kudzoka kwababa vangu.Baba vakabva
vasvika zvavo.Takafara kani vakabvunza
Lisa tikati aenda kunoona murume wake.
"Ndosaka ndakati Noku anyore hake Lisa
haana kana future ndoshaya chihure
akachitanga rini mwana waLister" said
baba.

"Lisa anonetsa manheru ega ega anotora


weave yangu opfeka ouya mubedroom
kundityisidzira haite ari rough uyo" said
Tracy.

"Mira nhasi anofira mumaoko angu aya


ndoda kumupedza dzungu rese"vakadaro
baba vachitora chamboko chavo
chavanga vabva nacho kubasa kwavo.
Drop your comments

*Watch out for chapter 14*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/J11WrTw8QE
F9fX7hhzArsK
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 14*

*LISA*
"Saka hausati wangofunga here nhai
Lisa" said Diva akanditarisa apa mashoko
airambira pamuromo.

"Aaah Davie"

"Lisa tell me asi haundide here"

"Ndambodaro here ini" ndakadaro


ndichinyara.
Mashoko airambira mukanwa kutaura
pachokwadi Diva ndanga ndamuda
nemoyo wangu wese.Akambonyarara
nyaya yacho tikafamba kuenda
kumagirosa ndiko kwanga kune mota
yake.Takapinda mumota akanoipaka
muground.

"Lisa dai waiziva kuti ndokuda sei


waisambondiomesera zvauri kuita izvi"

"Diva ndikunyara ini andisati ndamboita


mkomana zvinoitwa murudo andizvizive"

"Ndokudzidzisa Lisa ndosaka ndakada


iwe"

"Okay Davie"

"I love you"

"Ummmm ndazvihwa"

"Ndikuda answer iri straight Lisa ndizive


kuti wandida here kana kuti hauna"

"I love you too kwacho aah unonetsa


iwewe" ndakadaro ndakatariàsa pasi.
Diva akafara nekumubvuma kwandakaita
ndakaona ndambundirwa mumota
imomo.Akamutsa mota tikaenda
kunopaka pedyo nekurwizi.Takadzika
tikagara pazvimatombo tichitaura nyaya
but ndaimunyara.Takagumisira
takumhanyisana zvainakidza zuva iri
rakandinakidza andife
ndakarikanganwa.Kwakasvika pakudoka
akandiperekedza kumba.Mumota
ndakanamwa nekiss yakatenderedza
brain dzangu.Ndakanzwa muviri wangu
kudairira kuti pane zvaitika.Takakisana
kwenguva yakareba ndikaona akuda
kupinza ruoko muskirt mangu
ndikadzika.Ndakasvika pamba pari
zii.Ndakasvika team rese rakagara
mudinning nababa vangu.

"Lisa inguvai idzi uri kubvepi ndiudze"


said baba vakabata chamboko
chavo.Ndakatanga kudzokera shure
ndaiziva kuti apa handipabude.

"Ukangotiza usafa wakadzoka futi pano


ubva wagara ikoko ukuzvihwa here" said
baba.

"Ndiri kubva kwana Natty baba ini"


"Pinda mumba now ugare pasi apa"said
baba ndakapinda ndikanogara pasi
pavataura.

"Mwanangu Lisa chimbonyatsa kundiudza


uri kubvepi"

"Ndiri kubva kwana Natty ndiye shamwari


yangu"

"Kunyeperwa mwana wako ihure uyu ari


kudanana naDavie Matemba" said
Tracy.Noku anga ari zii panguva iyi
akangonditarisa. Ndakabva ndanzi dzvii
ruoko nababa vangu.Ndakatanga
kuchema ndisati ndatorohwa ndaiziva
baba vanorova kunga vari kuda
kutokuuraya.

"Baba handidanane naDavie ini handei


munobvunza Natty anokuudzai"
ndakadaro ndakuchema.

"Itonyarara waguta kunyarwa mai vako


varipo maivajairira sezvamuri kuita Tracy
uyu here"
Ndakapihwa mbama iri strong ndikadonha
pasi.Ndakatanga kurohwa makumbo
nechamboko chiya.Noku ndiye akazobata
baba.Achivabata ndakaenda kunorara
chikafu chavo andina kana kudya.Noku
aida kutaura neni asi ndakamu ignowa
ndiye anga akonzeresa.Ndakambochema
ndiri mugumbezi mangu.

"Sis sorry"

"Siyana neni Noku wakandivenga dai


waindida wakamira neni but ukuenda side
raTracy"
"Sis ini kungoti ndandisingade kuti
mudanane naDiva"

"Uchine dzungu Noku ndosaka


ndisingakuudze zvimwe zvinhu"
ndakadaro.

Ndakabva ndarara hangu mangwana


ndipo paidzokera Diva ndaifana kumuona
makuseni.Ndakabuda ndakabata bucket
rangu ndikaona mota yake yakamira
pachibhorani.Achindiona akauya kwandiri
akandimbundira achibva andikissa
ipapo.Takazosiyana ndikaona hezvo
Noku anga ateverawo akabata bucket
anga atozviona.Diva akandipa kafoni
kambudzi kanga katori neline
renetone.Akabva aenda ndakakaisa
mubraa mangu.Diva akaenda hake apa
ndaisada kuti aende.

Ndakanochera mvura, Noku hapana


chakataura akaramba akanyarara
akanditarisa.Ini andina kutaurawo naye
ndakatora mvura ndikaenda
kumba.Ndakasvika baba vakagara
paveranda vachinwa zvavo tea.
Ndakanogeza zvangu ndanga ndakufarira
kugara ndiri smart.

Kafoni kaya kakatanga kuringer


ndikadaira anga ari Diva.

"Hello my love"

"Ndatokusuwa ini aah" ndakadaro.

"Ndichauya next weekend bbe


ndombokutora uuye kuona pandogara
unoda here"

"Aaaah handidi ini ndozopaona


wandiroora"
"Haha ndazvinzwa chazokufonera
manheru umhorese mainini Noku"

"Okay chamumhoresa next weekend


usakanganwa kuuya Diva" ndakadaro foni
ikabva yakata.

Ndakabuda ndikaenda kwana


Natty.Ndikasvika anga akatorara
hake.Mai vake vaimuomesera anga
akurambidzwa kufamba.

"Haaaa Noku mupfana wako ane dzungu


unokaregerera iwewe"said Natty.
"Hiiiii kakandiona ndichikissana naDiva
iwe hiiiii ndakanyara"

"Aaah kakati chiii hakana kunotaura here"

"Hakana kutaura ako ndofunga


kakandinzwira tsitsi nekuti baba vangu
vanorova iwe"

"Apa nhasi ndikuda kuona Dean ita plan


tibude tese muchembere unoizivawo ka"
Ndakaudza mai Natty kuti tichamboenda
kugarden havana
kumboramba.Takapfuura nepamba pamai
matemba.Tikaona akagara panze pegate
nekahanzvadzi kake Daisy.

"My love ndanga ndakusuwa shem" said


Dean achitaura naNatty.

"Kana neni daddy mazuvano ma1 moms


avadi kuti ndifambe ava"

"Pakaipa ko gulez Lisa mukupinda neipi"


said Dean.

"Apana ndakuvigira munhu wako


aikuchemera uyu" ndakadaro ndichiseka.

"Asi Lisa chiii ndambochema inini here"

"Dean munhu aichema hanzi ndasuwa


Dee wangu"ndakadaro.

Daisy kakabva kapinda


mugate.Takatanga kufamba takananga
side rekugarden kwedu.Ndaifambira
mberi ndega ndaipa malove birds space
yavo.Takazodzoka kumba ndikasiya Natty
pamba pavo.Ndaenda kwedu ndikasvika
nekutora mabucket kuchera
mvura.Mazuva akafamba Diva ndaitaura
naye pafoni everyday.Asi Noku akazviona
kuti ndava nefoni haana zvakataura
akaramba akanyarara.Noku anga
adzikama maybe anga akuzvituka
nedzungu rakamboitika.Noku akanzi enda
kwatete akaramba hanzi kana sis vangu
vasingaendi ini andiendiwo.Ini
ndakaramba ndaida kuzoona Diva
wangu.Weekend yakasvika Diva
akauya.Akanditora tikaenda kutown
tikasvika pamba pake.Imba yake yanga
isina kunyanya kukura asi yanga iri
smart.Ndakaratidzwa zvese zvepamba
apa akandidzidzisa futi kushandisa
stove.Akasiya abuditsa zvinhu zvaakati
ndibike akabva abuda.Haana kutaura kuti
ari kuendepi akangoti ari kudzoka.
Munhu kana kudzoka zvake ndakadya
ndanga ndane nzara.Apa ndanga
ndakuda kudzoka kumba kwakusviba
ndinosvika ndikauraiwa nababa
vangu.Ndakatanga kufamba mumba
make ndikaona mapictures aDiva
naHakim mudinning make.Kwakasvika
pakusviba Diva akazouya akaita kupera
nedoro ndakabhoekana.Shuwa munhu
angandimisa kwakuenda kubhawa
futi.Ndakasvotwa zvisingaite apa
nemavengero andakaita munhu anonwa.

"Diva watondibhowa ndiperekedze kumba


kwedu"
"No Lisa ukurara pano nezvandiri
handikwanise kudriver"

"Hazviite ndipe hako mari yebhazi


ndidzoke asi kutaura chokwadi
wandibhowa" ndakadaro ndanga
ndatsamwa pachokwadi.

"Okay nditevere ndikupe mari


yacho"akadaro ndakamutevera tikapinda
mune imwe room.Akanditambidza mari
yacho ndakuda kubuda door rakuramba
kuvhurika.Munhu akauya kundibata bata
zvekuti kana neni ndakanzwa nyama
dzangu kudairira.

Diva akatanga kubata maboobs angu


zvekuti muviri wese zvekuti ndanga
ndakunzwa kuda.Akaramba achidaro
dzamara arara neni ndiko kuenda
kwakaita humhandara
hwangu.Ndakatanga kuchema
ndichidemba nechandabvumira
kuuya.Diva wacho haana kumbondinzwira
tsitsi hake.Akandiita kusvika aneta
ndakazvishingisa kusimuka kunogeza asi
ndairwadziwa,ndakanopedzera shungu
dzekuchema ndakagara mutube.Diva
akauya akatanga kundinyaradza.But
chakanyanya kundibhowa kurara neni
akadhakwa dai asina kudhakwa zviri
nani.Ndakabatwa nehope ndakagara
pasofa ndakaona ndafukidzwa
gumbezi.Makuseni ndakamukira kugeza
Diva anga achakarara.Ndakatora mari
yangu ndikabuda asi kastep kanga kaita
kakuchinja.Ndakanokwira makombi
anonanga kumusha kwedu.Ndakasvika
kuona chimwe chimota changa chazara
ndakakwira ichocho.Mota yakarohwa
pasina nguva ndanga
ndasvika.Ndakatanga kunoona Natty.

"Ko Lisa mafambiro ako aya asi pane


zvawakaita"
"Ehe besty ndakarara naDiva apa anga
akadhakwa" ndakadaro maziso ajenga
misodzi.

"Unopenga here Lisa paya ndakati chiii


apa wabhaiza big time apa nezuro Noku
akatumwa nababa vako kuno
achikutsvaga"

"Hiiiii besty ndoita sei ndatorohwa


neconfusion makumbo angu akurwadza
aya"ndakadaro.

"Haaa besty ndarwadziwa do you know


Dean akaedza nzira dzakawanda kuti
ndirare naye but ndaivhara makumbo
zvakanaka kuzvichengetedza asikana
manje iwe zvawatopa Diva muriwo bhoo
here"

"Usasandidaro Natty chindiperekedzawo


kumba kwedu"

Takabuda naNatty tikasvika pamba Noku


nababa vachidya zvavo.Tracy anga asipo
ameno anga aendepi.

"Lisa uri kubvepi nezuro wakarara kupi"


said baba.

"Ndanga ndinaye kuchurch kwedu nezuro


kwambuya Majokota kuya" said Natty.

"Ko Noku paakauya kumba kwenyu


wakati hauzive wani"

"Ndimama vakati handizive ini


ndaisavapo futi" said Natty.

"Lisa wasvika ndiri kuzvifarira hangu asi


next time ukaronga zvinhu zvako
unatiudzawo tinenge takufunga matotizira
ka"

"Aiwa baba isu hatidaro regai ndiende


Lisa usakanganwe kusvika kumba kwedu
zuva rava kuvira ka"said Natty.

"Hooo ok ndouya sahwira rega


ndimborara ndakaneta nematambiro
atakaita aya kuchurch iiih"

Natty akangonyemwerera achibva


aenda.Ini ndakapinda mumba ndikabva
ndarara ndichifunga kuti ndikaita nhumbu
ndichaita sei.Ndakatanga kuchema saka
ndatova gaba ka dai Diva
akasandiramba.Pasina nguva akabva
afona.

"Hello my love"said Diva.

"Wakandikuvadza Davie ndakatsamwa"

"I'm sorry bbe ndakatadza kuzozvibata ko


hindava wadzoka usina kundiudza
ndichauya pakati peweek"
Ndakabva ndakata foni yacho
ndikaidzima.Ndakabva ndabatwa nehope
ndikarara.Ndakazomuka masikati
ndikadya chikafu.

"Sis Lisa mandivenga"

"Aiwa mwana wamai vangu handina


kukuvenga uri sei hako"

"Ndiri bhoo huya ndikuratidzei hembe


dzenyu dzakatumirwa namainini mai
Ropa"
Akabudisa bag Noku akandipa hembe
ngadzinake apa ndiyo size yangu
chaiyo.Noku akapfekawo dzake tikatanga
zvedu kufamba takachena.Tainyanya
kutambira kumaraini amai matemba taida
vatione kuti tochenawo nekuti ndivo
vanozviti havabviri.

"haa apa mai Ropa vatigonera


handifunge muno pane anochena kuti
pfuura" said Noku.

"Haaa ndikuzviona ukufara mwana


wamai"
"Ehe sis"

Takatanga kufamba kudzoka


kumba.Takasvika Tracy
avapo.Ndakasvika tikambotaura nyaya
nababa vangu.Kwava kuvira ndikaenda
kwana Natty ndaisada kuenda naNoku asi
akatevera.

"Haaaa aya wauya nambuya makuhwa


zvino tobuda sei"said Natty.

"Haana basa uyo adzikama usatya"


"Mama ndauya kutora sahwira wangu"

"Chimbondiudzai munenge
muchimboendepi apa I hope hamusi
kufurirana zvisina basa"said mai Natty.

"Aaah mama kungofamba kuswatudza


makumbo isu hatidaro"ndakadaro.

Takabva tabuda Natty aakanoonana


naDean wake.Ini ndaitaura naNoku haana
kumboita pressure nazvo.

"Saka sis tell me who is Daisy"

"Zvabvepi nhai Noku inga unoziva mwana


wamai Matemba wani",

"Sei zvichinzi akafanana nesu asi baba


vakahura namai matemba kani,but sis
ndikaona Daisy ndinobva ndafunga
mhamha ameno chiii"

"Ipapo handizive Noku ngatisiyane nazvo"


Takanogara pamatombo Diva akafona
kuti ndidaire pana Noku azviite
ndakaidzima.Natty akadzoka kwatiri
tikaenda kumba.Takasvika baba vari
kutuka Tracy.

"Tracy ndati tell me sei wapisa hembe


idzo ndiwe wakadzitenga here"

"Potse handina kupisa ndichida ini"

Ndakashaya kuti ihembe dzipi ndikaona


hezvo ihembe dzedu naNoku nyowani
dzatumirwa namai Ropa.
"Hembe dzangu ndikudzida nhasi
chaiye"ndakadaro.

"Vape hembe dzavo ka iwe Tracy" said


baba.

"I'm sorry Lisa ameno chii chandibata"

"Ndakubata unogara uchinyepera vana


vangu kuti ndivo vane problem uriwe une
dambudziko guru asi hembe dzawapisa
ndikudzida pano ameno mari
uchaiwanepi"said baba
"Kana dzangu ndikudzidawo"said Noku.

_drop your comments_

*Watch out for chapter 15*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*
https://chat.whatsapp.com/J11WrTw8QE
F9fX7hhzArsK

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*CHAPTER 15*

*DAVIE*

Pandakasiya Lisa pamba pangu


ndakabuda kuenda kubasa.Pane
message yanga yapinda zvichinzi
ndaidiwako emergence ndakabhoekana
ndaida nguva naLisa.Ndakaenda
ndikasvika pane breakdown
paCrane.Ndakaswera pabasa
payakazonaka kwanga
kwakutosviba.Ndipo pakauya umwe
mudhara nemabeer nemadrinks
achitipa.Ndakanwa ndikaenda kumba
ndikasvika Lisa aripo achifamba
famba.Munhu akataura zvekuti akuda
kudzoka.Ndakamugaira hora ndaitonzwa
kudawo mkadzi.Ndakarara naye manheru
iwayo I was happy kuti ndini
ndakakavhura yaitova first time yangu
kubvisa musikana
umhandara.Pandakamuka makuseni
ndakawana pasina munhu
ndakabhoekana apa ndaitoda kamorning
glory.

Ndakatarisa masheet kuona hezvo


zvaanga atori neropa.Ndakatanga
kurangarira kuti nezuro ndakarara
naLisa.Ndakamabvisa ndikatanga
kumageza.Ndakapedza ndikamayanika
panze ndikambofonera Lisa anga
akatotsamwa akakata foni
yangu.Ndakabuda ndikaona Ropa
kachienda kumalessons.

"Hey Ropa mazuvano wakudada"

"Aiwa handidade mirai ndimhanye


kulessons ndanonoka"

Kakadaro kachifambisa ndakaramba


ndakakayeva zvangu.Ndakaenda kubasa
kunova kwandakazoswera.

"Ko hindava kuti ziii nhasi" said Dony.

"Haaa apana shaaa nditori nestress


ndosaka ndichafarira kugara ndakanwa"

"Imbori stress yei isingaperi nhai King


Diva" said Diva.

"You know my bro Hakim haana mwana


ini naBella takatadza kuita mwana zviri
kundibata bata kureva kuti tine
dambudziko"
"Mwana chipo chinobva kuna Mwari
iwewe ndakakuti huya kuchurch kwedu
unamatirwe asi haude" said Dony.

"Haaa i don't believe kumafake prophet


enyu aya"

"Ndoproblem yako wazviona ka manje


uchaona kuti uri kuzvikanyira life yako
Diva"

"Iwewe mupfana kwako kuri kuda kunzi


unogona kutsiura here iwewe unoe nda
kuchurch everyday Sunday pastor vako
vakadiii kukunamatira kuti uwane
musikana nanhasi hauna musikana
iwewe" ndakadaro.

"Diva asi wakubhema futi mazuvano


wachinja chaunofana kuziva chinhu chese
chine nguva yacho pamwe nguva yekuita
musikana haisati yakwana"

"Muchangosvika pakufa muchingoti


nguva haisati yakwana"ndakadaro
ndichiseka.
Lunch yakasvika ndikaenda kumota
yangu ndikaenda mutown.Ndakasvika
pane kamwe karestaurant ndikatenga
sadza nebeef ndikadya
zvangu.Ndaitofunga kuda kunoona Lisa
pakati peweek Ndakadzoka kubasa
tikatanga kuita basa.Pane muchina
wanga watsva saka taida kuubvisa toisa
umwe panga pakaipa.Takaswera tiripo
tikanonoka kuchaisa zuva
iri.Ndakazoenda kumba kwasviba apa
ndanga ndakaneta sei.Ndakasvika
nekugeza ndikabika chikafu
changu.Ndakazama kufonera Lisa foni
yake yairamba.

Mazuva akafamba ndikakumbira kubasa


zuva rimwe ndikapihwa.Ndakaenda
kumusha ndaida kunoona Lisa ndanga
ndatomusuwa.Ndakasvika pamba moms
vakarara vaiti musoro wavo
ukurwadza.Ndakavapa mapills andaigara
navo mumota.

"Mama tell me chiii chikumboitika patiri"


ndakadaro.

"Uri kuti chii mwanangu"

"Ini naBella takatadza kuita mwana,


Hakim haana mwana futi asi imi
namudhara pane zvamakaita kani"
"Davie wauya kundipa BP here saka
ukuedza kuti ndini ndakakuroyai here
problem yenyu munoroora vanhu
vasingazvare" said mama.

"No ndikungobvunzawo mama"

"Kubva pakafa baba venyu amusisina


respect neni vana imimi ndikuzviona
hangu muchandifunga rimwe zuva
ndaenda" vakadaro mama.
"Ko mama ndiko kwazvaari here"

Vakabva vaenda mubedroom


mavo.Ndakaenda kunotaimira Lisa asi
haana kumbobatika hake.Foni yacho
ndakaedza asi yairamba.Ndakarovera
moyo padombo ndikaenda pamba
pavo.Ndakasvika vakagara pasi pemuti
vachitaura namudhara wacho.Ndaifunga
kuti baba vacho havapo kuti ndichidzoka
hazviite.

"Ko uri kudei pano chikomana"said baba


lisa.
"Oooh sorry ndarasika ndikuda kuenda
pamai Munya" ndakadaro.

"Usafunga handisi kukuziva ukutaimira


mwana wangu Lisa tambira kure handidi
kuona tsoka yako pachivanze changu
wanzwa here get out" said
VaPotse.Ndakanzwa hasha asi
ndakazvidzora ndakatarisa Lisa anga
akatarisa pasi.Ndakabva ndabuda
ndikatora direction yekwamai
Munya.Ndakasvika ndichinyepera kunga
ndaida kutenga madomasi ipapo zvaani
ndaitarisa kuti Lisa akubuda
here.Ndakaona Lisa abuda aina Noku
vakabata mabucket ndikaziva vari kuenda
kuchibhorani.Ndakatevera ndikavabata.
"Mukuita sei Lisa naNoku"

"Apana zvedu" said Lisa.

"Mkoma Diva asi munodanana naFadzie


here ndakambokuonai kumagirosa muri
mese" said Noku.Ndakarohwa nehana
nekuti Fadzie ndakamborara nako
kumagirosa ikoko.Noku akandiona sei.

"Wakatadza kuona Noku ini handisi type


inotaura nana Fadzie" ndakadaro Lisa
anga akanditarisa.

"Saka Noku ari kunyepa here Diva"

"Anenge akakanganisa kuona uyu"

"Okay ngaipere ndanyarara" said Noku


achifambisa akatisiya naLisa.

"Ndanga ndakusuwa Lisa"

"Aaah iwe uchindi cheater nana Fadzie


here"
"Bbe trust me ndiri wako chete andina
umwe musikana mainini Noku vakatadza
kuona"

"Hooo asi ndakakutsamwira kutaura


chokwadi zvawakandiita kumba kwako
andina kuzvifarira kana ka1" said Lisa.

Takasangana naNoku akatakura bucket


rake akutodzoka kumba.Lisa akati
achadzoka achindiona akatakura bucket
rake akaenda.Ini ndakasara ndakamira
pakapera hour munhu asati
auya.Akazouya tikaenda kunogara
kurwizi.

"Lisa sorry nezvakaitika ndoda


undiregerewo please"

"Asi ziva ndikaita nhumbu ndouya kumba


kwako"

"Haumboite nhumbu Lisa"

"Diva tell me unonyatsa kundida here"


said Lisa akanditarisa.
"Ehe Lisa sei usingandi trust"

"Okay kana uchindida regedza kunwa


doro"

"Ummm Lisa padoro apo ndonwa kuti


ndisagara ndichifungisisa"

"Unenge uchimbofungei nhai Diva saka


doro ndiro rinoita usafungisisa here"

"Zvakawanda zvoitika mulife ngatisiyane


nenyaya yacho"
Takambotaura nemusikana
wangu.Tikambokisana zvedu asi kurara
naye andina patanga tiri paisaita
zvapo.Takadzokera kwava kusviba
tikasangana naMai Natty.Lisa akanyara
ndakaona atarisa pasi.

"Lisa mwana waLister ndiwe hako" said


mai Natty.

"A...aa..a sooor....ryy mhamha uyu


ndangosanganawo naye apo"said Lisa.
Mai Natty vakandituka ndikaramba ndiri
zii.Ndakavasiya vachituka Lisa ini ndanga
ndagumbuka ndakutoenda
kumba.Zvemunhu anondiitira dzungu
ndinombozvida here.

"Mhamha muudze shamwari yenyu Mai


Natty vadzikame ndavanyara vane
dzungu mkadzi uya"

"Wazviona ka kuti ane problem vaita sei


mwanangu"

"Vandituka muroad makazara vanhu


kuitawo here ikoko"

"Hanzi waita sei son"

"Hanzi ndikudanana nemwana wavo Lisa"

"Asi iwewe unodanana naLisa here "


vakabvunza mama.

"Ehe mhamha she is my girlfriend ndiye


wandikuda kuroora"
"Never never hazviitike ndichiri kurarama
it's impossible kuti uroore Lisa uya
handimude pano haana maquality ekuita
muroora wangu kana zvichinetsa mira
ndikutsvagire musikana"said Mama.

"No no Lisa ndiye ari kuzoroorwa pano


muchida musingade neniwo ndobva
ndaroora Natasha" said Dean akamira
padoor.Ameno anga asvika nguvai asi
airatidza kuti atonzwa nyaya dzedu.

"Futseki gotsi rine mubato Risa Risa kudiii


kwacho Lisa naTasha mahure emuraini
muno apana asingazvizive izvi kana
mukavaroora pano musatsika mashoko
angu aya muchamademba ndaenda" said
mama.

"Apana mashoko andinombodemba


mhamha ndakaona amudi kugadzirwa
pamuri wrong asi munoe da kuchurch sei
muchivenga vana vasina nemhosva heee
ndizvo zvamunodzidzisana kuchurch
here" said Dean.

"Iwe Dean remember ukutaura namama


haasi shamwari yako wanzwa ndiwe
unopa mhamha BP hona vari kurwara
nemusoro unoda vafe here
ngatingotevedza zvari kuda zvacho vava
munhu mukuru mashoko avo haawire
pasi" ndakadaro.Mama vakabva
vandimbundira vakafara nemashoko
angu.

"Mama ndagara ndovada asi ndovenga


zviito zvavo chete chero zvikadiii ini Natty
ndomuda apana anotiparadzanisa zvauri
kutaura Diva ndezvekupenga izvo kana
wanga usingadi Lisa musiye
zvakanaka"said Dean.

"Ayiye ndinokumamisa mupfana handina


zera newe" ndakadaro.
"Une pfungwa dzakawora unoudzirwa
zvekuita namama" said Dean akabva
abuda ari speed.Anoonererwa mupfana
uyu anenge ari kurova mangemba chete.

*Lisa*

"Mama ndazvinzwa sorry but truely


speaking handidanani naDiva ini"
"Lisa unoziva mai vako vakasiya vanditi
upote uchitarisa vana vangu manje unoti
vanofara here kwavari vakaona wava
kuita zvevakomana,Lisa ziva uri kukanya
hupenyu hwako uchaona kuti Noku
achatotevedzerawo zvauri kuita saka iwe
ita zvinhu zvinovaka zvine dzidziso Noku
aone kwete zvevakomana izvi"

"Mhamha sorry" ndakadaro ndakubudisa


misodzi.

"Don't cry my daughter mashoko angu


wamanzwa chienda kumba handifari
kukuona uchifamba time idzi"
Ndakamhanya kuenda kumba ndikasvika
Tracy achibika.Tracy kubva paakapisa
hembe dzedu anga akugara akatukwa
nababa.Tracy wacho akakumbira
ruregero kwatiri ini ndaitoda hembe
dzangu kwete sorry yake.Baba ndakafara
vanga vava nerudo nesu vasisaite
zvehasha.

"Lisa my daughter wakati unoda kuita


course yechiii zviya"said baba.

"Ndoda kuita nurse baba"


"Aaah neniwo ndoda kuitawo nurse"said
Noku.

"Okay ndazvinzwa vanangu iwewe Lisa


gadzirira next year ndoda kuti unonyore
muna June"

"Thanks baba ndiri kutoverenga ini"

Chikafu chakaibva chikapakurwa


tikatanga kudya.Sadza racho rainaka apa
Tracy akanyatsa kubika nemoyo wese.
"Wow zviri kunaka izvi apa manyatsa
kutora nguva yenyu" ndakadaro.

"Haaaa shuwa here mwanangu thanks"


said Tracy.

Takadya tikazobatsirana kugeza mandiro


acho naNoku.Ndaitonzwa kufara
chaiko.Takarara mangwana makuseni
ndikamukira kunoona Diva aida
kutodzoka.Mota yake yakasvika
ndikapinda mumota akanoipaka pamwe
pasi pemuti.Diva akatanga kundibata bata
muviri wangu this time anga asina kana
kudhakwa.Akapinda ruoko muskirt mangu
ndikamubata.

"No Davie"

"Why bbe"

"Aaah handisi kufeeler bhoo"

"Andimbokurwadzisa Lisa why you don't


trust me"
"Diva ndotya kuita nhumbu please
ngatisiyane nazvo"

"Ndoshandisa maprotections"

"Ndati andisi kuda" ndakadaro.

Diva wacho akaramba achindinyengerera


kusvika ndabvuma.Munhu wacho
aisarambika asi nhau yenhumbu ndaitya
akarara neni mumota akapfeka
maprotections. Ndaka enjoyer zvainaka
sei ndanga ndakasara kumashure kunga
muswe wabhoki.Takapedza kuita zvinhu
zvedu ndikadzika kuenda kumba
ndasvika nekugeza asi Noku akaramba
akanditarisa kunga pane chinhu
chaanzwa.Ndainyara kutarisana naye
mumaziso mwana wamai vangu.Iye Noku
wacho akaramba ari zii.Ndakapinda
muroom matairara foni ikaringer anga ari
Diva.Ndakadaira ndikaona baba vangu
vakamira padoor ndakabva ndakata.

"Ko foni ndeyaani nhai Lisa" vakabvunza


baba.

"Aaah ndeya Amanda akumbira kuisirwa


pacharger solar yavo yakafa
iyo"ndakadaro.

"Hooo manje ndoziva sei ndeya Amanda


iwe wanga uchiidaira"

"Baba bvunzai kana Noku


anokuudzai"ndakadaro iye Noku wacho
akapinda.

"Noku foni ina Lisa ndeyani"

"Hooo iyo vakumbirwa kuisa pacharger"


Ndakafara hakana kudhomoka baba
vakabva vabuda kuenda kubhawa.Noku
ndakamumbundira kanga kandikavha
ma1.Iko kacho kakabva katanga kuseka.

"Ko wava kusekei futi"

"Apana hangu sis kutongonakihwa"

Takatora hembe dzedu naNoku tikaenda


kunodzigeza kurwizi.Ndakaona Tracy
ateverawo akatibatsira kugeza hembe
dzedu achinyepera kutaura nesu
nyaya.Vanhu vaitiona tichitaura nyaya
tichiseka naTracy vaibva vafunga
tinowirirana zvakanyanya kwaaniko iye
aida kukavha ma1 ake.

Mazuva akafamba Diva aifona apo neapo


aiti ari too busy nebasa.Baba vakadzoka
kubasa kwavo pamba pedu panga
pakunakidza zvapo.Tracy dumbu ranga
rakura zvekuti very soon tinenge tava
nekababy.

"Ndine nzara ini ndibatsirewo kubika


Noku"

"Inga tabva kunwa tea manje manje wani


sis" said Noku.

"Haaa ndikunzwa kuda riri sadza, iwewe


bika matemba wosanganisa nemavergie"
ndakadaro.

Ndakaisa poto yesadza pamoto Noku


akamhanya kugarden kunotemha
mavergie akadzoka kucheka nekubika.Ini
ndakabika sadza tikapedza tikazoritsika
naNoku.Noku haana kunyanya kudya
hake.Andina kuripedza
ndakarisiyawo.Ndapedza ndakageza
ndikabva ndarara ndanga ndakunzwa
mazihope.Ndakarara ndikazoita
zvekumutswa naNoku.
"Asi muri kurwara here sis"

"Sei wadaro Noku"

"Marariro amaita acho akanyanya iiih"

"Aiwa handisi but ndakaneta ko sadza


riya randasiya richipo here ndatova
nenzara"

"Ehe riripo sis"


Ndakamuka ndikadya sadza riya.Noku
akaenda kunogeza anga akazara shena
mumakumbo anga achitamba hwishu
kwamai Munya.Ndakatora mabucket
ndikamacherera mvura.Pandakapedza
ndakaenda kunoona Natty.Ndakasvika
zvichinzi haako akaenda kumba
kwamkoma vake Naison.Ndakabhoekana
ndakaziva kuti Mai Natty ndivo
vakamuendesa kuitira vasaonana
naDean.

*thanks nemacomments*
*Watch out for chapter 16*
[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/J11WrTw8QE
F9fX7hhzArsK
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 16*

*Dean*
Long holiday yaibhowa Natty wacho anga
asingachanyanyi kubatika ndaishaya kuti
aripo here pamba pavo.Natasha anga
atondipinda muropa ndaisada kumushaya
ndaitoda kumuona everyday but
zvairamba.Ndaingomuona apo ne apo but
makumbo kanga kakaoma kamwana
ikaka kaisavhura zvekumhanya.Andina
kumbotsamwa nazvo asi kuti
ndakatofarawo kuti musikana wangu
akazvibata akazvichengetedza.Pamba
pedu paiita zvenguva kunakidza nekuti
ndakaona mama chese chandataura
vaindipikisa vaigona kundirova kana
kundituka.Mai vangu ndovada asi
kamuitiro kavo kanondibhowa.Mazuva
aya Lisa anga akundifarira ndakashaya
kuti chii.Pese aingotaura zvaDavie hanzi
heee ndomuda wat wat.Asi anga aita
kakusimba kuti munhu uyu haana
nhumbu.

"Gulez Lisa ndine mubvunzo"

"Aaah bvunzai bamunini asi mukabvunza


zvisina musoro ndokurovai" said Lisa.

"Asi makarara naDiva here"

"Aaah hamunyari here moda kuzvidiii


munodawo zvinhu imi" said Lisa.
"Hahaha mazuvano wakutaurisa Lisa
aaaah ko umwe wako anodzoka rini"

"Ndagara ndotaurisa ndizvo zvandiri hooo


Natty ari kuuya mangwana uyo"

"Ko kusandiudzawo Lisa" ndakadaro.

"Kuti wambondibvunza here ko sei Diva


asingachandifoneriwo ini andina mari
mufoni" said Lisa akanditarisa.Ndakabva
ndafunga mashoko aDiva achiti
anotevedza zvoda mama kuti vasafa
neBP.Ndakashaya kuti ndopindura
ndichiti chii ndakamboramba
ndakanyarara.

"Dean mhani ndati sei mkoma vako


vasingachandifoneri apa ndamusuwa sei
Diva wangu"

"Aah isu tane nguva tisiri kutaura naye I


think ari busy nebasa don't worry
achazofona" ndakadaro.

Lisa akandisiya akabva aenda kumba


kwavo.Ndakasara ndichifunga kuti saka
Lisa uyu haana kurara naDiva here.Diva
ndomuziva obvious vakarara vese
obvious zvikuitika pana Lisa inhumbu
chete.Ndakaenda kumba anga ari
masikati kwaipisa zuva iri.Ndakasvika
ndikambogara paveranda zvangu.Daisy
kakabva kabuda ndikaramba
ndakakatarisa.Ndipo pandakatanga
kuona kuti aiva nemaziso amai Lisa
chaiwo ameno zvaangori so.Ndakashaya
kuti kare kese ako ndaisazviona sei
ndakuzviona izvozvi.Daisy ukamutarisa
ari kure unoti waona Lisa.Lisa naNoku
vanga vakafanana namai vacho asi
vakazotora skin yekusviba yababa
vacho.Mai vacho vanga vari vatsvuku
saDaisy uyu.Ndakatanga kufunga kuti
saka chiii chakaita kuti vakadzi vatatu ava
vavengane.Ndakashaya mhinduro yazvo
ndakabva ndasiyana nazvo.

"Mkoma Dean ndikutaura nemi kani" said


Daisy.

"Wati chiii mupfana iwewe ukudei"

"Mhamha vaendepi"

"Ukubvunza ani ini ndikubva kusvika now"

"Hiiiii vanditiza asi zvakashata zvavanoita


vanditi enda wogeza ndakakumirira
ndapedza handichaoni munhu" said
Daisy.

"Saka zvochemedza here Daisy wakura


sei uchiita kunga mwana mudiki so
kubuda mazamo ndokukura kwacho so
don't behave kunga mwana mudiki"
ndakadaro.

Mama ndakaona vainyanya kuyemedza


Daisy aibva azviita kunga
kacheche.Aizonyanya kuyema kwacho
zvaindibhowa.Ini ndaitova nedzangu
dzekufunga mudiwa wangu
Natty.Ndakaenda kunorara sezvo
kuchipisa kunonzwisa hope.Mama
vakadzoka vakabata paper bag ranga
rakazara mabanana.Daisy akamhanya
kunovatambira ndaizviona hangu
nepawindow ndiri muroom
mangu.Ndaitotsvaga mari yekuti
nditengerewo mudiwa wangu foni kuti
nditaure naye.Ndakanotaura namama
mudinning kaDaisy kanga kakudya
mabanana kakagara paside namama.

"Mama maswera sei"

"Ndaswera bhoo mwanangu kupisa


chete"
"Taurai henyu kupisa kwacho pamwe kuri
kuda kunaya"

"Haaa ngakunaye shuwa vamwe vanhu


vakutorima" said mama.

"Ko isu hatisi kurima here mama"

"Obvious tiri kurima hatidi


zvekuzodadirwa ndiana mai Natty
vakohwa ndichatoti vakomana vaye
vanotifudzira mombe vatirimire
ndozovabhadhara hangu" said mama.
"Okay ndovabatsira hangu"

"Kwako kuri kuda kushanda here"

"Ndiri munhu wemurume andifani


kushandirwa neumwe murume
ndakagara"

"Okay ndazvinzwa" vakadaro mama.

"Moms chimbondionaiwo kamari"

"Mari yei Dean"


"Pane zvandikuda kuishandisa ndipei
ka$20US" ndakadaro.

"Kana uchida ndikupe siyana naNatty ko


vasikana vakanaka varimo wani muno
vana Amanda avo" said mama.

Vakandipa mari iya ndamboudzirirwa kuti


siyana naNatty.Natty ndiye wandaisazofa
ndakasiyana naye.Dai vaiziva kuti mari
yavandipa ndikuda kunotengera Natty
wacho foni vaidzikama chete.Mota
yamama yanga yakafa
ndakavanyengerera kuti
vaigadzirise.Avana kumboita nharo
ndakadaidza anogadzira ikasotwa
ikanaka.Munhu wacho akabhadharwa
mari yakawanda mama mari vanga
vanayo vakabva kutumirwa naBlaz Hakim
mazuva apera ayo.Ndakapinda mumota
ndikairova ndikanomira pachibhorani
ndikaona Lisa naNoku vakagara pasi
peumwe muti paitonhorera.

"Lisa ndichamboenda kutown ndogona


kudzoka manheru" ndakadaro.

"Aaah ndoda kuendawo pane munhu


wandikuda kuona" said Lisa ndikaziva kuti
Diva ndiye ari kuda kuonekwa.

"Kana ini handisare ngatiende tese" said


Noku.

"Noku hakuna kwaunoenda wanzwa


here" said Lisa.

"Kana nemi hakuna kwamoendawo


pamuri ndipo pandiri"said Noku.

Ndakazoona kuti kupedza zvese kuti


vasare vese.Asi vese vakaramba
ndakazoenda navo takasvika time
dzakanaka mutown ndikatenga kafoni
kacho.Kachange kakasara
ndikatengerawo Noku naLisa chicken
Inn.Lisa akapedza yose akatsenga
nemabhonzo acho ndakatya
nazvo.Takabva taenda nekumba
kwaDiva.Takasvika aripo ari busy
kugadzira maDVD.Lisa achiona Diva
akafara akamujambira nemufaro.Noku
anga akangotarisa hake ari zii achitarisa
imba.Diva akandipa sign achiti aida space
naLisa.Ndakatora Noku kuti timbofamba
zvedu panze.

"No ko sis vangu vakasara


vachinditsvaga"
"Tokurumidza kudzoka ndoda kukuratidza
zvakaita mughetto"

"Hooo ndimo mughetto macho


zvamakaita"

Takafamba zvedu ndichikaratidza


takadzoka Lisa naDiva vari kutowirirana
zvavo.Takatora Lisa tikadzoka kwedu
kumusha tikasvika kwatosviba Lisa anga
atorara mumota.Ndakavasiya pagate
pavo ndikaenda kumba.
Ndakasvika nekudya nekurara ndanga
ndakaneta.Mama naDaisy vanga
vakagara mudinning vachitaura
nyaya.Mama Dee vaimuda vaitorara vese
naye kubedroom kwavo.Ndivo vainyanya
kumuyemedza iye ozviona kunga mwana
mudiki.Natty ndakamuona makuseni
akatakura bag ndakafara kuti
adzoka.Ndaida kunomumbundira asi
zvaisaita ndanga ndakapihwa ziso namai
vangu.

"Mkoma Dean muri kudiwa namhamha"


said Daisy.Ndakaenda kwaiva namama
ndakaona vakagara mumota mavo.
"Saka wakandikumbira mari kuti unotenga
chicken Inn here nhai mwanangu"

"Aiwa mhamha pane masinhi andaida


ikoko chicken Inn ndofunga yakadyiwa
nevanhu vandakakwidza nezuro"

"Futseki ndakati chiii nenyaya yekukwidza


vanhu mota yangu heee andichadi
kukuona uchibata mota yangu" said
mama.

"Ok ndazvinzwa" ndakadaro ndichibuda


hangu gate.
Ndakabva ndasangana naNatty akabata
badza ndofunga aiyenda kumunda
kumashure kwacho kwaiva namai
vake.Andina kutaura naye
takangotarisana chete.Mai vake avana
kana kundidaira
pandakavamhoresa.Ndakatoziva isu vana
taivengerwa kutadza kwamai vedu
chete.Zuva iri mudenga manga mune
makore kwairatidza kuti kuchada
kunaya.Ndakanotora badza ndikaendawo
kumunda kwedu.Boys redu raifudza
mombe rakazosvika pava paya
ndatombofamba nendima.Takarova basa
zuva iri ,boys racho ndere mbanje.Raiti
rikamboti shande shande rombomona
chamba.Boys iri ndakaritya ana Natty
pavakadzoka vakuenda kumba kwavo
vakashamika kuona ndima yatanga
tabata.Munda wacho wanga wakakura
zvavo hauzongoperi nezuva rimwe.

"Dean unobva wandifungidzisa baba vako


vanga vasina nungo vaifarira kushanda
sezvaunoita kana vari pano vaiswera
kumunda uko" said mama vakanditarisa
vachinyemwerera.

"Serious here mama asi daddy vanga vari


munhu anga ari free havo vaifara
nemunhu wese vasingadade" ndakadaro.
"Ini daddy ndongovazivira pamapikicha
vakafa ndichiri mudiki zvinova
zvinondirwadza"said Daisy.

"Eeeh nyaya yacho ngaichipera


zvinozoita ndizonyanye kufungisisa
ndikadonha neBP kutaura chokwadi i
miss you Father" said mama vakabata
shaya.

Takachinja nyaya tikataura dzimwe asi


mama vanga vava zii.Ndakaona kuti
mkadzi mukuru pane zvaanga akufunga.
"Mama ndiudzeiwo chiii chakaita kuti
muvengane namai Natty namai Lisa"
kakabvunza Daisy.

"Wakufarisa Daisy ndinokurova wanzwa


ko ukanyarara unobvei"said mama ndiko
kaiva kekutanga kuona mai vangu
vachiitira Daisy hasha.Iye Daisy
akasudukura akanogara pasofa rake ega
akabata shaya kanga
kakutochema.Zvandambotaura kuti Daisy
atori nedambudziko chairo.

"Saka unochemei ipapa nyarara ndisati


ndakurova" said mama.
"Mama ameno kubvunza yava mhosva
here ini ndikuda kungoziva hangu" said
Daisy.

"Daisy ukaziva wozodiii asi watumwa


ndiana Lisa kani ,Daisy andidi kukuona
kumba kwana Lisa kana kukuona
uchitaura navo uri kuzvinzwa here"

"Ndagara handitaure navo ndakavavenga


avo vakashata" said Daisy.
"Ok good girl chiuya apa my only
daughter" said mama.Daisy akasimuka
akanogara pedyo namama akarara
pamakumbo pavo.

"Chindiudzai mama" said Daisy.

"Daisy nyaya yacho yakakura asi ingoziva


kuti pakati pedu anga ari wrong ndiMai
Lisa ndivo vakaita tipesane,Mai Natty
vane zvavakanyeperwa namai Lisa
ndobva vandivenga ngatisiyane nenyaya
yacho"

"Haaaaa mama imbori nyaya yei


yakaitika" said Daisy.

"Daisy ndati nyaya iyi yapera chienda


unobika ndane nzara"

*Lisa*

Patakabva kutown ndakafara kuonana


naDiva.Ndakasara tikapinda mubedroom
make ndikapihwa twunhu twangu.Zvanga
zvakutapira zvinhu zviya.Diva akati
achazouya kumusha paanowana time
nekuti ari too busy.Andina kumbotsamwa
hanty ndanga ndapihwa here
zvandasuwa.Takadzokera kumba
tikasvika kwasviba Tracy anga akagara
achigota moto asina kubika.

"Lisa naNoku muri kubvepi"

"Tiri kubva kuchurch isu"

"Sei musina kundiudzawo taenda tese"


said Tracy.
"Haaa sorry asikana next time tokuudzai"
said Noku.

Tanga takatogutawo takaenda muroom


medu tikanorara.Noku akatanga
kundibvunza kuti masara muchiitei naDiva
mwana uyu anodawo
zvinhu.Ndakamunyepera kuti
ndaidzidziswa kushandisa stove
yemagetsi chete.Ndakarara ndikamuka
Noku aita basa rese.Ndakatarisa zuva
ndikaona hezvo ranga ratobuda asi
kwanga kune makore.Takatora mapadza
tikaenda kumunda naNoku kwatakaswera
zuva rese.Tracy nezvaari zvanga
zvisingaite auye kumunda akasara ndiye
akativigira chikafu.Ndakachitsika
zvakashamisa Noku naTracy.

"Wanga wane nzara ndikuzviona iiih"said


Tracy.

"Haaa mazuvano ndizvo zvavari sis vari


kudyisa ava"

"Lisa ari kusimba mukuzvionawo here


nhai" said Tracy.

"Ndisiyei ndisimbe asikana pamwe


ndingawana anoda kundiroorawo"
ndakadaro ndichiseka.

"Unoroorwa naDiva wako" said Tracy.

"Imi ndopona here namai Matemba vaya


vanoita kunga mwanasikana wasatan"

"Vanogona kungochinja vakakufarira


Lisa" said Tracy

Mazuva akafamba ndaitonzwa ndega kuti


pane chachinja pandiri.Ndanga ndakuda
chikafu too much.Pandakaona Natty
akavhura ziso ndoshaya anga aonei
pandiri.

"Lisa une nhumbu ka iwe"

"Nhumbu ini here"

"Umwe ani ndikureva iwewe Lisa"

"Natty asi wakupenga here ndoiwanepi


nhumbu yacho regedza zvekuda
kundityisidzira" ndakadaro.
"Handisi kuseka mhani wakukanganwa
wakarara naDiva zviya"

"Natasha usadaro mhani wakuda


kundibhowa manje" ndakadaro.

"Okay ndanyarara hangu"

Takabva taenda kumba kwedu tikasvika


Noku achibika ndakafara nekuti ndanga
ndakiyiwa nenzara.Ndakapakurirwa
chikafu chakati ooh ndikapedza chese
Natty akabvaruka nekuseka pava paya
ndikaona abata musoro
akanditarisa.Akanditora tikaenda paside
pedu tega.

"Ndoda kuti tiende kuchipatara now Lisa"

"Hooo asi wararwa here besty"

"Aiwa ndikuda unotariswa"

"Kutariswa chiiko Natty"

"Une mimba"
"Haaa iwewe so okay toenda ndoda kuti
uone andina izvozvi ndoda kumborara"

"Maihweee Mwari hiiiiii Lisa waizviitirei


nhai" akadaro Natty maziso ake atojenga
misodzi.

"Natty uri kumboti chii ko wochemei futi"

"Lisa une foni yako ipapa here ndikuda


kufonera Diva yangu ndaisiya kumba"

"Ndinayo asi haina mari"


Ndakamupa Natty wacho ndakaona
akubaya baya pamwe akakwereta here
ameno.Ini hope dzanga
dzandikurira.Ndakazoona Natty akagara
paside pangu muroom mangu maziso ake
akatsvuka kuratidza kuti ambochema.

"Lisa handei kuclinic now"

Ndakasimuka kwakugeza tikabva tarova


road paiva nekamufambo.Takasvika
ndikatariswa hezvo ndaiva
nepamuviri.Ndakarohwa nehana
ndikatanga kuchema even Natty
akachemawo.Takaenda kumba ndiri zii
ndanga ndakufunga mashoko aNatty
pakambondiudza achiti ukaita mkomana
usarara naye.Zvino zvandava nenhumbu
ndoita sei kupedza zvese ndoenda kuna
baba vayo Diva.Ndakasangana naNoku
pagate pedu ndikatanga kuchema
ndakamutarisa.Ndakamumbundira
mwana wamai vangu zvakureva ndava
kutoparadzana naye.

"I'm sorry Noku"

"Sorry yei"
"Ummmm sis vako vane nhumbu yaDiva"
said Natty.

"Oooh my God" said Noku akabata


musoro.

Noku zvakamurwadza ndakazviona


hangu.Akaenda kunogara kuseri kwemba
akabata shaya kuratidza kuti
aifungisisa.Natty akashandisa foni yangu
kufonera Dean akamuudza nyaya
yaivapo.Dean ndiye akandipa mari
yebhazi kuti ndiende kumba
kwaDiva.Ndakatora kabag kangu asi
misodzi yaiyerera pamatama.Dai Diva
akasandirambawo kani.

"Sis Lisa ndikurwadziwa but maizviitirei


why why zvino vanhu vachati kudiii" said
Noku akandibata ruoko.

"Noku don't cry kani Diva haandirambe


anobva atouya kundiroora"
ndakadaro.Natty anga ari zii zvake.

"But I don't trust Diva uyu sis"

"Noku trust him please ndiye atova


murume wangu hongu zvaitika nenzira
yatisina kutarisira asi kutogamuchira
zviripo" ndakadaro ndichizvisimbisa.

"Ehe asi kuti zviitike ndiwe wakapusa


wakatadza kuvhara makumbo ako
ndakakuudza kuti chii"

"Natty usaita kunga uri virgin pauri ipapo


usada kundibhowa zvako" ndakadaro.

"Sis dzikamai Natty wamakuitira hasha


adiii"
"Ufambe bhoo Lisa" said Natty akabva
aenda kumba kwavo achichema.

Pakazouya kamwe kamota ndiko


kandakakwira ndikaenda kutown
ndakasvika pamba pacho pasina
munhu.Ndakagara panze pagate
pakasvika pakusviba munhu asati
angouya.Ndakarara pagate ipapo
ndikazoona munhu asvika akaita kupera
nedoro.

"Ko iwe ndiwe ani unorara pagate pangu


heee uri kuona pari pamba pemastreets
kids here" said Diva.
"It's Lisa"

"Lisa wepi" said Diva.

"Diva mhani"

"Oooh Lisa my bitch how are you"

"Bitch ani manje undikwanire ndatova


mkadzi wako ndine nhumbu yako"

Ndakadaro ndichitopinda pagate panga


pavhurwa.Diva akavhura ziso kunga doro
rapera here ameno.Diva akati inhumbu
yaani.Ndakamuti ingaita yaani umwe.Diva
akabva ati............

*Drop your comments*

[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:


*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/J11WrTw8QE
F9fX7hhzArsK

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 17*
*LISA*

"Lisa mira ipapo wanzi pinda nani"said


Diva.Ndakaramba ndichifamba ndaiziva
doro ndiro raimutonga Diva ndaida
kuzotaura naye asina
kudhakwa.Ndakamira padoor ndakamirira
kuti avhure.

"Lisa nhumbu yaunayo ndeyani"

"Ingaita yaani nhai Davie"


"Iyi haisi nhumbu yangu unofunga
ndakapusa wakuuya kundipa chimimba
chako ichi iwe wairara nemafudza mombe
kumusha uko"

"What unopenga here hausiwe


wakandibvisa humhandara here Davie
heee manje ini akuna kwandoenda"
ndakadaro ndanga ndagumbuka
nemhinduro yaDiva.Munhu aifemera
pamusoro pangu akuramba kuti mimba
haisi yake manje akuna kwandoenda.

"Lisa get out now ndisati ndatsamwa


zvangu newe zvatopera uri hure
ndakanzwa namai vangu kuti uri hure
iwewe even kahanzvadzi kangu Daisy
kakandiudza futi kaiona mamovements
ako" said Diva.Ndakatanga kuchema
ndakamutarisa.

"Davie ko chiii amana inga wakati ndikaita


nhumbu uchandiroora usandidzingawo
please truely speaking handina umwe
mkomana wandoziva kunze kwako"
ndakadaro misodzi yazara pamatama.

"Lisa ndaitokuda but uri hure iwewe I hate


you buda tione unofunga ndakapusa kuda
kundipa nhumbu isiri yangu,yazombobata
pauri sei yakatadza kubata pana Bella
heee,manje wadzva ini andizvarise" said
Diva.Ndakaramba ndakamira ndakabata
kabag kangu ndikaona munhu akabvuta
kakandwa panze.Akadzoka kundibata
akandizvuwira kunze
kwegate.Ndikadzoka kupinda mugate
macho.

"Iwewe wakuda zvekurohwa neni manje


wanzwa waguta kunyarwa"

"Unondirova hako asi akuna kwandoenda


ndakatakura mwana wako mudumbu
umu" ndakadaro.Diva akandibata ruoko
akandizvuwira panze ndakuda kudzoka
ndikagashidzwa mbama
yakarira.Ndakatanga kuchema ndakagara
pagate paDiva.Iye anga atovhara gate
rake atokiya mukati kuti ndisapinda.Apa
nguva dzanga dzaenda ndisisina
kwekuenda.Kumaraini kwamai Ropa
handinyatsi kukuziva ndakagumisira
kuendako ndichiri mudiki.Zuva iri
ndakachema zvekuti musoro
wakagumisira wakurwadza.Ndakabudisa
rimwe juzi hombe ndikapfuga ndikarara
pagate paDiva.

Chando chakatanga kundirova kwava


kuchena.Hope dzikapera ndikamuka
kugara ndaimira kuzotaura naDiva
kwachena pamwe aindinzwisisa asisina
kudhakwa.Kwakachena ndikanoka pagate
pacho.Pasina nguva Diva akauya kuvhura
paakaona chiso changu akabva avhara
gate.Ndikanoka futi munhu akabuda
akaita kusunga chiso.

"Davie zvauri kundiita zvakashata, saka


wairarirei neni uchiziva kuti
uchazondibata rough kudai"

"Ko waivhurirei makumbo acho hee,


usafunga handisi kuziva kuti nhumbu
yaunayo haisi yangu ndikuziva muridzi
wayo"

"Diva uchandifunga iwewe ita hako asi


ziva Mwari vari kuona" ndakadaro maziso
azara misodzi.Ndanga ndakatarisa Diva
iye wacho kana kunditarisa airatidza kuti
haasisina hanya neni.

"Kufunga iwe nemashatiro awakaita kuti


ndopenga here, Lisa you don't deserve
kuita muroora wamai Matemba wanzwa
chibva pano now,even pabonde pacho
apana chaunoziva uri rima danda chairo
ndisiyei zvangu" said Diva.Ndakachema
ndakamira pagate ipapo ndakaedza
kupfugama kuti anzwisise asi
akaramba.Akazoita zvekundimhanyisa
pagate pake.Ndakatanga kufamba
ndichitevedza road ndaimboziva kwandiri
kuenda here.Ndakanogara pabustop
ndichifunga kuti ndoita sei.Diva anga
andirwadzisa kuita kundibaya nepfumo
pamoyo chaipo.Zuva rakasvika pakubuda
ndakangogara ipapo.Ndakaona mota
yaDiva yakuuya ndikaziva akuenda
kubasa ndakamira pamberi.Akadzika
akandituka zvekuti vanhu vakaungana
zvaitoita as if ndini ndiri wrong.Akarova
mota yake akaenda mwana wamai
Matemba.Mufoni mangu manga musina
mari ndakaisira Dean macall back akabva
afona.Ndakatadza kutaura something
ndakuchema.Ndakangomuudza kuti
ndarambwa chete.Dean akaratidza
kubatikana akati mira ndibe mota
yamoms ndiuye kukutora.Ndakaenda
kunogara pagate paDiva zuva ranga
rakwira apa nzara yanga yandirova
sei.Pasina nguva ndakaona Dean asvika
aine mota yamai vake.Ndichimuona
maziso anga atojenga misodzi.

"Maiguru Lisa don't cry izvi tozvigadzirisa


hona maziso enyu atozvimba"

"Ndotadza kuchema Diva achindiita


kunga hure inini manje apa ndiye aka
ndibvisa humhandara hwangu
zvorwadza"

"Diva anokudai apa kungoti ari kutevedza


mama"
"Saka mai vake ndivo vachamuitira vana
here, you know what ndakarara pagate
apa ndikarohwa nechando"

"Maiguru Lisa chiuyai mugare mumota


kamari kandinako mirai ndinokutsvagirai
chekudya mutown muromo wenyu
ukuratidza wega kuti mune nzara"

Akatora bag akaisa mumota


akandivhurira door rekumberi kuti
ndigare.Anga ane rudo zvake Dean
ndakashuwira kuti dai ariye Diva ndisiri
kumbochema.Akarova mota tikapinda
mutown akanditengera chikafu ndakadya
semunhu anga ane nzara
ndikamutenda.Pasina nguva foni yake
inopinda call vanga vari mai vake
vaifona.Akadaira akaisa paloud zvekuti
ndaitonzwavo zvavaitaura.

"Iwe Dean wanzi tora mota yangu nani


mwana iwewe wakamboita sei,uripi"said
Mai Matemba.

"Sorry mama pane zvaitika ndiri


kusvikako time time"

" Ukaramba une hunhu hwakadai unaona


kuti unoita rombe rekupedzisira ukaona
ndakugunun'una nepamusoro pako" said
mai Matemba vakabva vakata foni.

"Gulez apa makabhaiza big time


maisafana makarara naDiva manje
yadeuka yadeuka takutoona zvekuita"

"Andina kurara naye ndichida but he


forced me kurara naye ndisingade"
ndakadaro

"Maiguru ini naDiva hatinyatsi kupindirana


saka zvandichaita apa tichaenda tese
kumba tasvika i will call mkoma Hakim
ndovaudza nyaya yese kana vari mama
usatya ndodhila navo"

"Aaah naMai Matemba uko handiponi


rega nditenderere muno ndichitsvaga
panogara mai Ropa"

"Gulez chero mukapaona pavanogara


apana pavachakutambirai vanongoti
endai kune muridzi wenhumbu apa mutori
nesupport hombe mkoma Hakim
vanodzikamisa mama avo"

Moyo wangu waindirambira asi


ndakazongobvumawo kuti Dean munhu
andibatsira.Ndaitoda kumirira Diva ndaida
kupinda pagate pake zveginya kana
achindiuraya anondiuraya.Mota
yakarohwa tichieda kumusha.Takasvika
zuva rava kudoka.Takasvika mai
Matemba naDaisy vanga vasipo.Dean
akaisa bag rangu muroom raishandiswa
naDiva ameno makeys acho
akamawanepi.Takabuda naDean
achiedza kundiudza nyaya kuti
ndisafungisisa.Ini mumoyo ndaitya mai
Matemba.Takadzoka kumba tikasvika mai
Matemba vachibika nemwana wavo
Daisy.

"Ko iwe uri kudei pano"said mai Matemba


vachireva ini.
"Mama musaita kunga musi kuziva kuti
Davie akamitisa Lisa manje ava
kumuramba moda zviitwe sei"said Dean.

"Saka iwe ndiwe ani wapindira nyaya


dzisi dzako kana Davie wacho
achimuramba ini ndipo pandichazoda
kugara naye here, ndaizviziva kuti akuna
kwaunosvika Lisa nechihure chako manje
pano handikude" said mama.Ndakatanga
kuchema ndakatarisa mai
Matemba.KaDaisy kakabva karamba
kakanditarisa.

"Asi mama dai muri mumwe muchifara


kuti makuzvarirwa vazukuru asi
hamuvade" said Daisy.

"Futseki hausiwe here waiudza Davie


zuro uno kuti Lisa ihure anodanana nana
Tinashe uya anofudza mombe"

"Aaah mama paya ndaitamba inga


ndakazoti jokes wani" said Daisy.

"Mama Lisa akuna kwaari kuenda


ndapedza nemi"

Mai vacho vaitova nenharo dzakatopfuura


dzaDiva.Vakandidzinga pamba pavo
sembwa.Dean akazama kumira mira neni
zvikaramba.Dean akabuda akabata bag
rangu anga akatsamwa.

"Dean sorry handide uvengane namai


vako dzoka hako ndipe bag ndoona
zvekuita" ndakadaro.

"No Lisa mai vangu vane big problem


ndivo vakaita Diva akurambe ndikuzviziva
zvese ini"

Dean akandibvunza kuti saka ndava


kudii.Ndakamuti dai wandisiya ndiri
kutown pamwe ndatsvaga zvangu basa
rekufana kumboshanda isati yakura.Now
andisisina kana kwekuenda.Hakim
akabva afona pafoni paDean.

"Ko tell me sei wakasiya Lisa achidanana


naDiva hauzive hunhu hwaDiva here
nhai"

"Mkoma kupopota akuna zvakuchabatsira


Diva aramba Lisa amutuka even
muchembere futi saka now akuchema
uyu ndikushaya plan"
"Mupe foni Lisa wacho" said Hakim.Dean
akabva andipa foni.

"Hello mainini Lisa i'm sorry nezvaitwa


nemupfana wangu ndaida kuuya this
month kugadzirisa nyaya yacho but eish
basa randiwandira"

"Ok no problem bamukuru zvaita


mupfana wenyu andina remuromo asi
ndinoti Mwari vari kuona" ndakadaro
ndakuchema.

"Don't cry Lisa pandikuuya ikoko


ndozvigadzirisa"

Ndakataura naHakim
akandisimbisa.Ndikazopa Dean ameno
zvavakataura vese.Kwanga kwasviba
ndanga ndakufunga kudzoka kumba
kwedu.Ndaizoona yekutamba mangwana
kwakachena.

"Nditevere Lisa" said


Dean.Ndakamutevera ndikaona ndasvika
pamwe pamba so.Akavheneka nefoni
yake asi pairatidza kuti pane nguva
pasina ari kugarapo.Panga pangori
neimba yeround yaiva neuswa.Yaiva
nemarata yakadonha zvayo.

"Pamba pano paimbogara gogo


Matemba"

"Oooh ndapaziva wabva wandirangaridza


gogo vaye vanga vane moyo wakanaka
ndaigara ndichiudzwa namama vangu
nezvavo" ndakadaro.

Dean akapinda mumba muya yeround


akacleana zvake.Makachena akabuda
ameno akaendepi akauya akabata moto
akauvesa mumba muya mukajeka.Manga
machena mangosara kukorobha
chete.Akabuda akanotora dzimwe huni
ndakashaya kuti aidzitorepi manheru
aya.Akagara achiti aitaimira kuti moms
vake varare.Akabva aenda akauya
negumbezi nechikafu chiri mulunch
akandipa.Ndakadya ndikaguta ndikanzwa
hope ndikawaridza kurara akamboramba
akagara zvake.

Ndakamuka makuseni kwanga


kuchiratidza kuda kunaya.Ndakamuka
ndikanomira panze Dean andina
kumbomuona ndofunga akaenda ndarara
chete.Ndakatora badza ndikasakurira
zvangu pamba paya kusvika pava
smart.Ndakaona Dean naNatty
vachiuya.Natty akasvika kundimbundira
achibudisa misodzi.Takambopedza
kanguva takambundirana nabesty
wangu.Dean akanditambidza paperbag
ranga rine chikafu.Ndakatanga kudya
ndichitaura nyaya naNatty.

"But pano apaite Dean itai plan handide


Lisa agare pano" said Natty.

"Aaah ndatombowana pekugara hangu


panoita chandoda hangu mapoto ndoita
hangu maricho kuti nditenge chikafu
kusvika rini Dean uchindipa chikafu"
ndakadaro.
"Zvawataura Natty ndazvinzwa asi
ndakamirira Hakim akati ari kuuya soon
now basa rakamupresser panyaya
yemapoto ndokusota nhasi manheru" said
Dean.Natty akati achandivigira mabucket
maviri ndakavatenda nerudo rwavo.Dean
akabva arova pasi ndikasara naNatty.

"Munhu anonzi Diva ndamuvenga naicho


chimai chake" said Natty.

"Apa nemadiro andomuita kwakundidaro


chero nanhasi andisati ndazvitambira ini"
"That's life Lisa hazvirevi ndiko kuguma
kwehupenyu ivo vana mai matemba vari
kukusema kudai rimwe gore vachakuda"
said Natty.

"Okay thanks Natty ndiwe unoona Noku


please umutsiure andide kuti zvakaitika
pandiri zviitike paari," ndakadaro.

"Uyo usatya mama nezuro vanga vanaye


vaimutsiura hiii moms yakatsamwa
zvekuti zuro ndakapotsa ndarohwa hanzi
ndiwe wakafurira Lisa"said Natty.
"Hiiii eish sorry uzovamhoresa hako"

Natty akazoenda kumba akati anga atiza


anzvenga mai vake.Ndakaenda zvangu
kurwizi kunogeza.Ndakageza ndisina sipo
futi ndikadzoka pamba pangu ndikarara
ndaifunga pese pandaifara naDiva
misodzi yaitanga kubuda pamata
pangu.Ameno ndakabatwa nehope
nguvai ndakarara musi uyu
ndikazomuswa newet.Ndakanoita kuseri
kwemba hope dzanga dzapera manje apa
nzara yakuchindibvunza mutupo.Dean
haana kumbobatika ndanga ndakushaya
zvekuita.Ndakafunga kuenda kumba
kwedu.Ndakatanga kufamba zvangu
ndikasangana naNoku achiti ari ega.Akati
Tracy akatorwa nababa kuenda kupi
woye andina kumbozviterera ndaitofunga
chikafu.Ndakasvika kuridza chikafu
chandakaona pamba.Noku ndikamuudza
everything akachema mwana wamai
vangu.

"Mazviona sis paya maindiita benzi


ndichiti siyanai naDiva manje mazviona
anyway ndozvinoita upenyu ini
ndatodzidzawo kubva pamuri sis"

"Dai ndakaterera mashoko ako Noku eish


manje apasisina yekutamba ndotamba
nhamo"

"Apa baba vakati Lisa andidi kumuona


pano ndikamuona pano ndomudambura
musoro vakapopota kani zvekuti ini
ndakapotsa ndarohwa zvichinzi iwewe
waiziva zvikuitika uchinyarara"

_drop your comments_


*WATCH OUT FOR CHAPTER 18*
[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/J11WrTw8QE
F9fX7hhzArsK

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587
*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 18*

*HAKIM*

Mwana chipo chinobva kuna Mwari


mashoko aya ndiwo andaingozvisimbisa
nawo.Kutaura chokwadi nyaya yekushaya
mwana yaindibata bata.Ndaishaya kuti
ane problem pakati pangu nemkadzi
wangu ndiani.Ndotenda prophet wangu
vakati siya zvekutsvaga zvisina basa
imimi just pray zvichaita chete.Lean
aimbosvika nguva yaichema ndakaona
aifarira zvevana hake.Lean
ndakamuroora akazara ndini
ndakamuvhura tikatochatawo muchato
wakadadisa.Mai vangu vakatanga
vachida Lean asi vakagumisira
vamuvenga nekuda kwekushaya vana
kwedu.Vaiti Lean ndiye ane problem
ndizvo zvakaita kuti ndisanyanya kusvika
kumba kuZim ndanga ndane gore ndisina
kumbosvikako.Asi mari mai vangu
ndaivatumira chero mai vakaita benzi
hauvarambi unongoramba uchivaitira
zvakanaka.

Nemkadzi wangu taipindirana apana


chataihwandisirana kana iri foni yangu
aigona kuswera nayo.Zvese zvaitika
kumba kwedu kuZim ndaizvinzwa
zvese.Lisa naNoku vana vaPotse
ndaivaziva vakakura mumaziso
angu.Vana ava handina kubvira
ndamboona problem yavo ndingatoti vana
vanoterera.Ndaishaya mai vangu sei
vachivenga vana vasina
nemhosva.Ndakanzwa hasha ndichinzwa
kuti Diva akamitisa Lisa apedza
omuramba.Ndakafona ndikamutuka iye
Diva wacho airamba ari zii.Ndakafonera
mama ndivo vakandakazotaurira
mashoko makukutu chaiwo.

"Daddy dzorai hasha even me


zvatondirwadzawo Lisa ndomuziva ooh
shem apa she is still young" said Lean.

"Davie ndakagara ndamuona ane hunhu


hwakafumuka ndiwe Lean wakati
timutengere mota iya ndaisamboda
izvozvi ndiyo iri kupfimbiswa vasikana
ikoko,even foni iya you know yakadhura
ndakufonera munhu oramba ari zii
kundiita benzi"

"Hubby ipapo bamunini Diva


ndovashoora vaisafana kumitisa Lisa
haa" said Lean.

"Manje ari kuzomuroora Lisa achida


asingade mira uone"

"Manje rudo rwekuzomanikidza arwuite"

"Arwusi rwekumanikidza vanhu ava


vaidanana zvandakanzwa ini asi ukaona
nyaya yapindirwa namama inonetsa
kungoti Diva akabvuma kuparadzirwa
rudo rwake namama, iwewe ukuziva wani
paya vaida tisiyane nenyaya yekushaya
mwana" ndakadaro.
"Lisa wavari kusema vachamuda rimwe
gore ava kure kure"

"Davie akanganwa kuti anzi electrician


ndini zvaari kuita azvisi kana
kutombofadza kana kaone manje ndiri
kuendako soon ndotoda kutotora leave
ye2 months"

Ndakashaya kuti mai vangu vakatanga


kuita hutsinye hwakadai rini.Richiri grudge
here ravo namai Lisa here ravakuita
revenge pavana.Ukavabvunza kuti imbori
nyaya yei havadi kutaura ndoshaya kuti
vakauraya munhu here isu vana
tisingaudzwe.Mai Sabhuku ndovamwe
ndovashoora vanofana kutiudza pane
problem topagadzirisana pane zvekunzi
andidi kuona muchitamba nevana
vekwasabhuku.Pandiri kuenda Zim ndoda
kunopedza nyaya idzi ndoda kugara navo
pasi ivo mai Naison namai vangu
vondiudza pakatangira daka ravo.Basa
ranga rakandiwandira zvisingaite saka
apa ndaifana kutuma Lean kuZim agare
atungamira.

"Wifey ndoda uende Zim next week nekuti


eish misodzi yaLisa inounza minyama
kwatiri isu vekwaMatemba tinenge
takufirawo mhosva dzaDavie"

"KuZim toenda tose vamwene avandide


ndikafunga mashoko avakandiudza gore
riya ndonzwa kubatikana I don't know why
vasingandide asi ini ndovada"

"Lean zvauri kutaura ndiri kuzvinzwa


hona basa rakandi pressure please
ingoenda" ndakadaro.

"Kutanga rini ini kuenda kuZim ndega iwe


woda kusara uchihura nana Tiara manje
bodo"
Ndakaona kuti apa ndaipedza nguva
apana paizobvuma.Tiara aitaurwa
musikana aishanda pareception pabasa
pangu.Ndanga ndisina nyaya naye asi
ndaingonzwa Lean achiti kamutarisiro
kanokuita musikana uya
handikafarire.Lean aigara akasvika
pabasa pangu aipihwa respect sezvo
mkadzi wamanager.Chihure ndaisamboita
nguva yacho ndaisaiwona nguva zhinji
ndinenge ndiri pabasa kana ndisiri
pabasa ndinenge ndine mkadzi
wangu.Kalife kepaSA kaifaya ndanga
ndakarongera Diva auye kushanda kuno
but nehunhu hwake hwakaora
ndatozvivharisa.
"Daddy i hope hamuna kutsamwa kuti
ndaramba kuenda Zim kungoti andide
kukusiyai mega i don't trust that girl
wepabasa penyu Tiara"

"Lean unoziva ndiwe munhu wandakada


apana umwe wandichazoda inga you
know that girl andina nyaya naye"

"I love you hubby" said Lean achindipa


kakiss kemumhepo.
"I love you too my everything" ndakadaro
Lean anga atopinda mukitchen kunobika.

*LISA*

Noku akabika sadza nemavergie


akasanganiswa nemachunks apa
zvainaka sei.Ndakariridza rimwe ndikaisa
mulunch ndaida kuzoridya ndava
kwangu.Noku ndakamuudza pandikugara
akati achazouya kundiona
mangwana.Ndakaenda kumba kwava
kusviba ndikasvika Dean akandimirira
anga auya nezvose zvekushandisa
ndakamutenda.

"Ndiwe wauya futi nemabucket ayo futi


here" ndakadaro ndichimabata ndikaona
aiva ane mvura.

"Auya naNatty ndiye futi achera mvura


yacho anga akakumirirai gulez abva
kuenda manje manje"

"Hiii ndanga ndiina Noku sorry"


"No problem regai ndimhanye paden
chanetsa mondiisa call back"

Akabva aenda ndikasara ndichigota moto


mumba mangu.Mvura yakatanga kunaya
zvine simba.Ndinotenda Mwari mumba
mandanga ndiri maisanaya zvamo
ndanga ndiri safe.Asi makonzo eish anga
akanyanya dai akasaruma ruma hembe
dzangu.Ndakatarisa zvinhu zvanga
zvauya naDean ndikaona paine mapoto
matatu nendiro ne 4 kg dzerice.Makuseni
ndakamukira kuenda kunotsvaga
kwekuita maricho.Ndakawana pamba
pambuya Majokota vane munda waida
kurimwa wanga wakakura zvawo asi
vakati ndichabatsirana nevamwe
vakomana.Ndakapihwa badza ndikaenda
mumunda munova
mandakaswera.Maisapera nezuva rimwe
chete asi takazvipa mugwazo patofana
kusvika pazuva rega rega.

Gogo Majokota vakauya nemaheu


ndikanwa zvenzara.Ndakamarova ese
kuti tsvai vakomana vakashamiswa
nazvo.Ndanga ndavapedzera ndakaona
vangotarisana.Ndakasimuka ndikaenda
paseri pechimwe chisango ndikanoita wet
ndikadzoka pabasa.Takamboshanda
zvedu masikati tikavigirwa sadza mbuya
ava vanga vari bhoo zvavo.Sadza
nemusoni wemunyevhe apa zvaiva
muplate one kudya ndiri slow sadza
rakapera ndisina kumboguta.Ndakaona
kuti vanga vandiitira revenge vakomana
ava panyaya yemaheu.Next time
ndichatouya nechikafu changu.

Takasvika pataifana kusvika zuva


iri,tikaenda kudzimba kwedu.Ndakaenda
kumba ndikatora towel ndikananga
kurwizi kunogeza apa ndanga ndisina
kana sipo.Ndichaitenga zvangu kana
tapihwa kamari kedu kwagogo
Majokota.Ndakasvika kumba ndikavhura
lunch yangu iya yandakaisa sadza
rakabikwa naNoku.Ranga rakuda kushata
ndakaridya rakadaro.Ndakavesa moto
ndikaisa poto ndaida kubika rice
ndochikafu chaivepo choga.Zvana upfu
nezvimwe paiva pasina.Mafuta panga
pasina pangori nesalt chete.

Ndakabika rikaibva ndikatanga kudya


nemaoko apa raipisa sei.Ndakatsva
maoko ndikamira ndikatanga
kuchema.Ndakatanga kutuka Diva kunga
ndaimuona.Apana word rakasara musi
uyu ndapedza ndikadya rice rangu ranga
rakupora zvaro.Ndakarara zvangu asi
mumoyo mangu ndanga ndakufunga mai
vangu.Ndakamukira ndikaisa rice riya
rakasara mulunch ndikapfeka rimwe
zikudress randaiendesa kumunda.
"Ko Lisa sei uri kugara pamba paGogo
Matemba wega" akabvunza umwe
mkomana wandaishanda naye.

"Aaah apana kutonzwa kuda kugara


ipapo"ndakadaro.

"Hooo wakashinga hako nezvipoko zviri


ipapo ana Simba vakada kumbopagara
vakatizapo"

"What zvipoko zvipi muri kurevesa here


imi" ndakabvunza ndakutya hana
ichirova.
"Iyazve asi hauzvizive ramba uchigara
ipapo uchazviona hako"

Takambozorora tichinwa maheu ndanga


ndakutya kugara pamba
paya.Ndakatanga kunwa maheu
ndichidya nerice rangu riya.Takashanda
zvekuti pakasara padiki taizopapedza
mangwana.Ndakaenda pamba pangu asi
kutaura chokwadi ndanga ndakutopatya
pamba apa.Saka ndikabva apa
ndoendepi pacho.Ndakatora towel
ndikaenda kunogeza ndichizvibvunza kuti
ndoendepi.Zvipoko zvacho kana
zvichindiuraya ngazvindiuraye zvinenge
zvatobatsira mweya wangu unowana
zororo.Ndakapedza kugeza ndakuenda
kumba ndikasangana namai Natty
vachibva kugarden kwavo.

"Mwana waLister uno nyadzisa shem"

"Sorry mama zvakaitika nemistake"

"Mistake yei Lisa kungoti waisaterera


tichikutsiura izvozvi yangova Lisa
akamitiswa raini rese here why"
"Zvakaitika ndisina kuzvitarisira mama"

Murume wavo akabva asvikawo vakabva


vaenda vese.Ini mupfungwa ndaitya
zvipoko zvataurwa.Ndakasvika pamba
pangu ndikambomira panze.Dean
akasvikawo ndakamira panze kwanga
kwasviba.

"Noku naNatty vanoswera vachisvika


pano vasingakuonei munoswera kupi
gulez" said Dean.
"Ndinoswera kubasa"

"Kubasa kupi gulez"

"Kunorima kwaMajokota"

"Hooo munotaura gulez but ini andide


mushande"

"No ndoda kutoshanda ini ndine


zvandoda kutenga zvisipo pano bamunini
thanks nekundibatsira" ndakadaro.
Dean haana kugarisa akabva aenda
ndikasara ndichibika rice
rangu.Ndainamata kuti dai mangwana
kukasanaya tipedze kandima kasara tibve
tapihwa mari dzedu.Ndaida kutenga
chibage ndogaisa nemafuta nesipo
inokwana mari yacho.

_thanks nemacomments_
Sorry nekuita pfupi foni yakuda kudzima

*Watch out for chapter 19*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/J11WrTw8QE
F9fX7hhzArsK
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 19*

*Noku*
Baba namama Tracy vakadzoka papera
mazuva.Tanga tane mwana mkomana
baba vaifara zvisingaite.Mwana akapihwa
zita rekuti Gift nababa vangu.Asi ini
ndaisambofara ndaifunga sis Lisa kuti vari
kuzvigona sei.

"Baba sis Lisa vakarambwa naDiva


vakugara uko vega vatoreiwo kani"
ndakadaro.

"Handitori paivhura makumbo aiti


zvinosvika kupi ngambotamba nhamo iwe
andidi kukuona uchienda kunomuona uri
kuzvinzwa here"

"Ehe ngaasaenda anozofurirwa Noku


ndomuda pana Lisa uya aisamboita kana
ka1" said mai Gift.

Ndakabuda ndikaita kunga ndiri kuenda


kugarden ndikaenda kwaigara sis
Lisa.Ndakasvika pasina munhu
ndakashaya kuti varipi saka
vakandinyepera kuti vari kugara
pano.Munhu anonzi Mai Matemba
ndanga ndamuvenga pasi nekudenga
vakadzinga sis vangu sembwa.Ndakamira
kwenguva yakareba havana kana
kumbobatika ndakadzokera kumba.Baba
vaiti vakuda kutodzokera kubasa kwavo
panga pakaipa.Chandakafarira
vakatsvaga vanhu vanotirimira
ndaizokuwara nebadza ndega.Munhu
wanga watopera kurimwa zvavo.

"Noku usare namai vako zvakanaka


ndoda mwana anoterera usaita zvakaitwa
nebenzi iro Lisa maresult akabuda
wakapasa ndokutengera something"

"Thanks baba"
Vakabva vauya kutorwa nevamwe vavo
vakarova pasi.Pamba painakidza zvapo
mazuva akafamba ndikasangana naNaty
ndichibva kugarden.Takaenda kumba
kwaSis Lisa asi vaisambobatika zvavo.

"Mune shuwa kuti vanogara pano"


ndakabvunza.

"Ehe anogara pano hausi kuona wega


here kuti panogara munhu"said Natty.
"Saka varipi ndakambosvika futi andina
kuvaona"

"Ndofunga vaenda kumaricho avo


ngativamirire"

Door racho raisakiyiwa ndakapinda


ndikaona muri smart zvamo.Ndakabuda
zvangu ndikanogara panze paiva
naNatty.Asi pamba apa paisava safe
zvapo sis vangu ndaivatyira.

"ko chiii nhai Noku"


"Haaa life is not fair Natty ndikutadza
kuzvibvuma kuti sis vangu vakuita
maricho ivo vekwaMatemba vaine mari"

"Mwari vari kuona avambosiye Lisa


akadaro kana ari Diva achaona hake"

Takamira tamira munhu kana kubudikira


tikaenda zvedu kumba.Ndakasvika
kutukwa namai Gift hanzi wanga uripi.

"Noku watanga musikanzwa wanga uripi"


"Ndanga ndina sis Natty ini"

"Sis Natty kudiii kwacho usaita zvinhu


zvekuti tipesane pano uri kuona huni
hapana"

"Aaah ndasiya dziripo wani dzaendepi"

"Itwo twuni twauri kutaura ndabikisa


beans mangwana uri kuenda kuhuni ini
ndosara ndichiita basa repamba"

"Ndotya kuenda kusango uko ndega


toenda tese"

"Ndati mangwana uri kuenda kuhuni


kutya kudiii kwacho munhu ava kuziva
varume"said mai Gift.

"Kana muchiti munhu akuziva varume


mukurevei"

"Futseki mhani tora mabucket unochera


mvura ndisati ndakurova"said mai Gift.
Ndakatora mabucket angu ndiri zii
ndikachera mvura yangu
ndikapedza.Vanga vapedza kubika
ndikadya ndikaenda kunorara
zvangu.Ndakanonoka kumuka
ndikazomuka zuva rabuda Mai Gift vanga
vaita zvavo basa rese vachidya porridge
ravo.

"Mamuka sei mama" ndakadaro.

"Wow wakugona kunditi mama asi


ukunyengerera bota rangu"said Mai
Gift.Ndakaramba ndiri zii zvangu
ndakavatarisa.Ndikatora ranga rasara
mupoto kudya zvangu munhu akupopota.

"Wapihwa nani siya"

"Imari yababa vangu iyi


hamundiudzire"ndakadaro ndanga
ndatsamwa.Munhu haade kupihwa
respect ndaimboti pamwe inhumbu
yaivanetsa apa ndakuona ndivo vatori
neproblem.Chavanonditukira ndochishaya
ini.

"ndinokurova wanzwa usandijairira


ndinovaudza baba vako chienda kuhuni
kasira tione" said mai Gift.
"Andina kumboramba kuenda kuhuni asi
mukada kundiitira zvehasha ndozvisiya
izvi" ndakadaro ndichifamba.Mama vanga
vachida kundirova kaGift kakatanga
kuchema.Ndakabuda kuenda hangu
ndakabva ndasangana naDaisy
muroad.Kamwana aka mavengero
andanga ndakakaita so kanoita as if
kanoshamisira stereki.

"Uri sei" said Daisy.

"Ani"

"Umwe ani asi amudi kumhoreswa here


sista" said Daisy.

"Adaro ndiani iwewe usiyane neni mune


hutsinye vanhu vekwamatemba"
ndakadaro.

"Noku you know what ndoda uite


shamwari yangu handina shamwari ini
mama vangu vanondirambidza kuti
nditambewo nevamwe"

"Hehehede never iwe haufe wakaita


shamwari yangu tsvaga uchadziwana
shamwari"

"Noku wakandivengerei asikana"


"Makarwadzisa sis vangu mese
vekwaMatemba"

"Aaah ndimama namkoma Diva avo"

"Chero zvawataura ini newe hatife takaita


mashamwari hazvife zvakaitika kusvika
mese mati sorry kuna sis vangu"
ndakadaro ndikatanga kufamba.Daisy
akatanga kunditevera mukati hausi
muedzo.
"Uri kuendepi iwe
ndakuzokurova"ndakadaro.

"Ndikuenda kumba kwedu andisi kutevera


iwewe" said Daisy.

*LISA*

Takadzoka kupedzisa kandima kedu kaya


tikapihwa mari yedu.Ndakafara kuti
ndapihwa mari yangu yakakwana
ndakaenda kumagirosa ndikatenga
tumafuta twangu netumatemba
twangu.Saga rechibage ndakatenga
kwagogo Majokota ndikabva ndatogaisa
kamari kacho kakabva katopera
kese.Atleast yapera ndatenga chikafu
changu.Ndakazofunga pava paya kuti
mari yapera ndisati ndatenga
sipo.Ndakasvotwa kugeza usina sipo
apana zvaunenge uchiita kungozvidira
mvura.Mazuva aya ndanga
ndisingachasweri pamba ndaiswera
ndichifamba kutsvaga mabasa.Pamba
ndaitobatika manheru chete asi zvipoko
zvaitaurwa andina kumbozviona.
Ndanga ndiri kushanda kwaMai Fadzie
kwandaivafenzera garden ravo.Ndanga
ndakupedza zvangu asi vakati
pandopedza ndipo pavanondipa mari
ndiyo yandaida kutenga sipo nezvihembe
zvevana.Zuva iri ndakashanda ndanga
ndasara padiki kuti ndipedze.Fadzie
akauya kundiseka achindiwanzira.

"Waifarisa uchifamba uchitaurira vanhu


kuti ndiri hure manje hure ndiwe
wakamitiswa apa hauna kunyora futi
ndiwe munhu akutambura uchafa uri
rombe"said Fadzie.Anga akurevenger kuti
ndaimbomuwanzira tichiri kuchikoro
ndakaramba ndakanyarara ndichidya
sadza rangu nemavergie akasangana
nematemba.Mavergie ndanga
ndakamatema kugarden
kwedu.Ndakaramba ndakanyarara
ndanga ndakutoda kuchema.

"Remember ndini ndine mari yako mai


vangu vandisiira vaenda kunhamo saka
ndini shefu wako" said Fadzie.

"Ndazvinzwa Fadzie ndokwanisa kupedza


mangwana pasara padiki apa izvozvi
ndaneta"

"Hakuna izvozvo ngapapere nhasi kana


uchida mari yako"

Fadzie aifarisa hake ndakaramba


ndichishanda sezvo ndaida mari
yangu.Fadzie aindiwanzira achiseka
dressing yangu hanzi unoita kunga
munhu ari kuda kubudirwa.Hembe
dzakanaka nditori nadzowo but apana
pandaizodzipfeka ndichienda
kumaricho.Ndakazopedza kwasviba
ndikaenda kumba kwana Fadzie
ndikamuudza kuti ndapedza.

"Kwasviba wouya uchitora mari yako


mangwana" said Fadzie.
"Okay ndichasvika mangwana makuseni"
ndakadaro.

"Ehe unouya Chenzira"

"Ndokumbirawo mvura ndafa nenyota"


ndakadaro apa nzara yanga
yakundibvunza mazita nemitupo pamwe
chete.

"Chenzira chibva pano ndati wouya


mangwana bwokumbirawo mvuya kudiii
chibva pano" said Fadzie.
Ndakatanga kufamba kuenda ndikasvika
nepachibhorani kwanga kwasviba.Apa
nyota yanga yakandikiya.Pachibhorani uri
wega apana zvaunoita.Ndakaenda kumba
ndikasvika kutokanganwa kuti ndasiya
mabucket asina mvura.Ndakatora
mabucket ndikaenda kuchibhorani
manheru iwayo ndikazonwira mvura
mubucket.Ndakatakura mabucket angu
ndikasvika kubika kasadza kangu
netumatemba twanga twasara
twese.Ndakadya ndikaguta ndakabva
ndanamata kashort prayer
ndikarara.Ndakamukira kuenda kumba
kwana Fadzie.
"Ndiani" akadaidzira Fadzie ari mumba
airatidza kuti anga akarara.

"NdiLisa" akavhura door akamira


akanditarisa zvekuratidza kuti ndiri
kumubhowa.

"Uri kudei"

"Ndauya kumari iya" ndakadaro.

"Mari ipi futi"


"Yandakashanda wakati ndiuye
makuseni"

"Futseki iwe usada kundiita benzi andina


kukupa mari yako zuro manheru here"

"Hauna kundipa mari Fadzie wakati


ndouya makuseni" ndakadaro.

"Mari ndakakupa saka ukuti ndikunyepa


here iwe chenzira"said Fadzie.

"Fadzie hauna kupa inini, andisi kunyepa"


ndakadaro maziso ajenga misodzi.

"Futseki unoti kushata woti humbavha


unoti handisi kuzviziva ukuda kundibira ini
ndakakakupa zuro manheru ibva pano"
akadaro Fadzie.Ndakapfugama pamberi
pake misodzi yava kuyerera ndichiedza
kutsanangura kuti hauna kupa inini
mari.Asi zvakashaya simba ndakatukwa
ndikabva pamba apa misodzi iri
pamatama.Ndakaenda kumba kwangu
ndichichema zvaindirwadza.

Ndaida kuzoona mai Fadzie vacho direct


zviri nani pane mwana wavo.Ndakasvika
kurara masikati ndikamuka kuenda
zvangu kunogara kurwizi ndega
pamatombo aitamboswera
naDiva.Misodzi yangu yakatanga
kuyerera ndichishaya kuti Diva
akandirambirei ndakashata zvakamboita
sei.Vanhu vese vanongoti ndakashata
munhu ainditi ndakanaka ndiNoku naMai
vangu chete.Zuva rava kuvira ndakaenda
kunotaimira mai Fadzie ndikavaona
vakamira pachibhorani.Ndakaenda
kunovaona ndakavatora tikaenda paside
pasina vanhu.

"Mama andina kuzopihwa mari iya"


ndakadaro.
"Lisa Lisa wakatanga rini kuda kuita tsotsi
Fadzie andiudza zvese akakupa mari
usada kuti tinetsane"

"Mama pamberi paMwari vari kudenga


haana kundipa uyu" ndakadaro.

"Iwe mwana waPotse usada kundibhowa


mhani mari yako wakapihwa"

Ndakapfugama pamberi pavo


ndakuchema asi havana kana
kumbondinzwira tsitsi.Ndakaenda kumba
zuva iri ndakatadza kana kubika
ndainzwa kurwadziwa pamoyo.Ndakarara
ndichichema zuva iri ndakaona pasina
reason yandichararamira panyika apana
achandida.Noku mwana wamai vangu
chaiye kana kuuya
kundionawo.Ndakamuka ndikaenda
kurwizi ndaida kuzvikandira mumvura
pakadzama zvekuti ndonyura ndofira pasi
pasi.Ndakasvika parwizi paye
ndikambogara padombo kwenguva
yakareba kwanga kwasviba.Ndakanzwa
noise ndikaenda kwaiva nenoise hezvo
vanhu vaitorarana zvavo.Avana kundiona
asi ndakavaona ndakadzoka padombo
paya.
Ndakabata dumbu rangu no ndoda kuona
mwana wangu zviri nani ndizofa
ndasiyawo mwana wangu
panyika.Ndakadzoka kumba ndikasvika
kurara kubika ndaisava nesimba
racho.Asi ndaitova nestress musoro
wanga wakutorwadza.Makuseni
ndakamikira kugara kugota mushana
sezvo kwanga kune kazuva.Ameno mai
Matemba vakabva nepi vakasvika pamba
pangu.

"Hezvo mwana waLister uri kudei


pano"said Mai Matemba.
"Ndipo pandiri kugara" ndakadaro
ndakavatarisa.

"Never iwewe kugara pamba pagogo


Matemba ibva pano kasira tione ndoda
kutopagadzira panapa"said Mai Hakim.

"Mama andina kwekuenda please


ndinzwireiwo tsitsi"

"Futseki ndiwe uri kuda kundipesanisa


nemwana wangu Hakim hamba magara
morwadziwa neni vana imimi ndizvo futi
zvaitwa namai vako zvekurwadziwa neni"
Ndakabudisa misodzi ndichienda mumba
kunorongedza zvinhu zvangu Mai
Matemba vakamira padoor.

"Mbavha ndiwe wakaba mapoto angu


ndaishaya kuti akaendepi nhasi
unondiona mwana waLister" vakadaro
vakabva vabuda ameno vakaendepi.

Ndakazoona munhu adzoka akabata


shamhu akatanga kundirova achiti atidi
mbavha.Ndakarohwa kusvika shamhu
yaguka.Ndakabva ndarara pasi
ndakurwadziwa makumbo andanga
ndarohwa.

"Basa kuba mapoto angu iyi indiro yangu


haunyare here ndati chibuda muno ubve
watora nezvimapoto zvacho
andichatozvide" vakadaro.

Ndakasimuka ndikatanga kurongedza


tunhu twangu kwekuenda ndaiva ndisina
hangu.Ndapedza kurongedza ndipo
pakasvika Daisy mwana wavo.
_drop your comments_

Shadows of my heart

*Watch out for chapter 20*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*
https://chat.whatsapp.com/J11WrTw8QE
F9fX7hhzArsK

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 20*
*LISA*

"Mama marova Lisa why aita sei" said


Daisy.

"Daisy ndokurova wanzwa wanzi upindire


nani iwe Lisa wamirirei buda tione" said
Mai Matemba.
"Mhamha pindurai mubvunzo wangu I
hate Lisa but munzwireiwo tsitsi mama
mamuroverei" akadaro Daisy akutoda
kuchema.Akabva apihwa mbama namai
vake akauya kumira pamberi pangu.

"Sorry sis Lisa mundiregererewo


pandakatadza musachema rimwe zuva
Mwari vachakusimidzirai" kakadaro Daisy
kakabva kandindimbundira.Mai vacho
havana kufara nazvo.

"Okay Daisy ini andisisina reason


yekurarama panyika uchazonzwa kuti
ndafa"
"No sis pano ndipo pamuri kuzogara
chero zviite sei, i hate you but handifari
kuona misodzi yenyu hangu" said Daisy.

"Lisa chigara hako asi handikude kumba


kwangu kana kukuona kumaraini kwangu
andidi iwe Daisy buda tiende"said mai
matemba.

"Ndiri kuuya mhamha fana kutungamirai


henyu"

"Daisy ndakati andidi kuona uchitaura


nana Lisa zvikunzwika here"
Daisy akabva abuda hake akamhanya
kuenda kumba.Mai vake vakamboramba
vakanditarisa kwenguva yakareba.Pasina
nguva ndakaona vauya pandiri vakati.

"Lisa handide kukuona nevana vangu


please usatombotaura navo zvako
kunyanya Daisy uyu andide umufurire
chihure chako ndikangokuona chete
maone ako"

"Okay mama handitaure navo"


"Handisi mai vako usanditi mama iwe
hure"

Vakabva vatanga kufamba zvavo vaizvida


mai ava.Ndakaramba ndakavatarisa
ndikaona munhu adzoka achimhanya
ndakashaya kuti chiii.Vanga
vakufemeruka vakamhanya kani.

"Hiiiii ndaona nyoka muroad umo"


vakadaro Mai Matemba.Ndakada
kumboseka asi ndakazvidzora
hangu.Ndakaenda pavaiti vaona nyoka
yacho handina kuiwana.Ivo vakapfuura
vachimhanya ndakada kumboseka kuona
mkadzi mukuru achimhanya
kudaro.Ndakarongedza twunhu twangu
mumba ndikaenda kunotemha tumowa
twangu twakawanda ndaida kugadzira
mufushwa.Ndakatemha twakawanda
ndikatubhoilisa ndikananika panze kazuva
kanga kariko musi uyu.Ndapedza
ndakabuda kuenda kuenda kunotsvaga
maricho ndaida mari yekutenga
sipo.Ndakasvika pamwe pamba vakati
basa racho riripo haungarigoni roda
munhu wechirume.

"Ndorigona basa racho",


"Okay kana wadaro zvakanaka
nditevere"vakadaro.

"Ko ibasa rei first ndakabvunza"

"Kuforoma zvidhina asi unopihwa mari


yakawanda kana usingakwanise taura
handide kuzonzi ndakakumanikidza"
vakadaro mai vaya.

"Ndoda ndokwanisa hangu"

Vakanondisiya kune varume vacho


ndikataurirwa zvekuita basa
rikatotanga.Haaa musatamba nekuforoma
zvidhina akuna kuchipa asi ndaishingirira
ndohupenyu hwacho ko ndingaite sei.Apa
ndava kuraramira mwana ari mudumbu
dai zvisizvo ndakazviuraya kudhara.

"Lisa mwana waPotse sei kuzouya kuita


basa iri" akabvunza Vhunai.

"Kushanda kutsvaga mari"

"Vhunai asi watotapirirwa nemwana uyu


here"akadaro Gidza umwe wataishanda
naye.
"Yaaa ndiri kuda kumbokanzwa wena
ndotype yangu iyi"

Ndakaramba ndiri zii zvangu asi


zvavaitaura ndaizvinzwa.Takashanda
kusvika kwasviba tikaenda zvedu kumba
asi Vhunai akanditevera.

"Lisa ndoda uite mkadzi wangu ndokuda"

"Sorry hako Vhunai pandiri pano nditori


mkadzi wemunhu"
"Mkadzi waani ndiani benzi rosiya mkadzi
akaita sewe achiuya kuzvidhina manje
ukandida unogara zvakanaka" said
Vhunai.

"Murume wangu ari kughetto


uchazomuona hako haasi kuzviziva kuti
ndizvo zvandiri kuita
kuno"ndakadaro.Takabva tasangana
namai Matemba vachibva pamunda
pavo.Ndakanyara vakaramba
vakanditarisa apana chavakataura apa
Vhunai wacho kuzoramba
achindinetsa.Ndakamuti adzoke
zvakagumisira zvakundibhowa.
"Ndokumbirawo udzoke andidi usvike
pamba pangu"

"Pamba pako asi unogara wega"

Vhunai akazoenda hake asi kutaura


chokwadi ndaisada kutaura naye nekuti
aiva mkomana waFadzie zvaizonetsa
kumberi uko.Hembe yangu yanga
yakazara madhaga ndakaenda kurwizi
ndikageza hembe yangu ndisina kana
sipo neni wacho ndikagezawo.
Ndakadzoka pamba ndikasvika ndichiona
Dean naDaisy vakamira
panze.Ndakavesa moto panze zvangu
ndikaisa poto yemowa yangu pamoto
zvikaibva.

"Sis ndipei ndikubikirei sadza racho" said


Daisy achitora poto yangu kuda kutobika.

"Thanks hako Daisy rega hako ndibike"

"No ndikuda kubika ndogona bvunzai


mkoma Dean ava"akadaro
ndakamuregedza akabika akapedza
Dean akaramba kudya ndakadya zvangu
naDaisy.Daisy anga ari friendly apa
zvakandishamisa asi aimboti
akandivenga.

"Mogona kuribika mowa iri ,rikabikwa


namama amuzoride asi maisa tumafuta
tushoma" said Daisy.

"Saka muri kushandepi izvozvi"

"Uko kwaGotora kwatiri kuforoma


zvidhinha"
"Kuforoma zvidhina aah no no azviite
maiguru" said Dean.

"Bamunini ndisiyei ndishande


ndakakuudzai handisi kuzogara pasi
kusvika ndapona mwana wangu"
ndakadaro.

"Hiii ndarwadziwa shem"said Daisy

Vakambogara tichitaura nyaya tichitoseka


Dean akambosuduruka achidaira foni
yake.

"Ndakakuonai muchishanda kwana


Fadzie haaa makasota paya"said Daisy.

"Haaa kungodaro daro Daisy"

"Paya ndofunga makapadyira mari


chete"akadaro achisekerera ndakaramba
ndakamutarisa ndikaona mai vangu
chaivo.Ndakatanga kuyeredza musodzi
ndakamutarisa.

"Aaah sorry sis Lisa asi ndataura


zvisizvo"said Daisy.Even kamutauriro
kacho ungati ndiNoku.

Dean akabva adzoka akatora kaDee


vakaenda zvavo.Ndakasara ndichirara
zvangu ndanga ndagutisa.Ndakamukira
kubasa kwangu kunoshanda.Mazuva
akafamba dumbu rangu rangu rakutokura
Noku ndaimuona apo neapo.Anga
akuswera kuchikoro ava form 1.Mai
Matemba vanga havana kuchinja hunhu
hwavo pese pandaisangana navo vaitoti
vandichemedze.Ndoshaya mhosva
yakapara mai vangu yakanyanyoita
sei.Asi vakauraya hama yamai Matemba
here ameno.
"Noku uri sei hako"

"Ndiri bhoo hangu asi zviri kundiita Mai


Gift zvakashata ndakuda kugara nemi
pano" said Noku.

"Vari kukuita sei nhai"

"Ndosvika pasina chikafu apa vakaviga


drink mumba mavo vakundishandisa
ava"said Noku.

"Noku be strong iwewe usavapindura


vape respect basa ita uri munhu
wemusikana apana chaunobva mwana
wamai" ndakadaro.

"Thanks ko sis vhudzi renyu harichaite


mirai ndikurukei"

"Handidi kurukwa ini"

Takambotaura kwenguva yakareba


naNoku akazoenda hake.Mazuva aya
Natty aisabatika pamwe aisava
panzvimbo ameno.Dean aisanyanya
kubatikawo ameno aiswerepi.Madyiro
andanga ndakuita madays aya anga asiri
normal.Rimwe zuva Daisy akauya pamba
pangu zuva rava kudoka.

"Muri sei"

"Ndiri nani hangu ko haurohwi namama


vako ukaonekwa pano here remember
vakati havadi kuona uchitaura neni"

"Ndatovanzvenga avo vari kurwara


ndasiya vakarara"

"Vari kunzwei ndakabvunza"


"Musoro nekupera simba, guess
ndakaona mapics amai Lisa namai Natty
namama vangu vakapfeka mauniform
ekuchikoro"

"Hoooo vanopora ,asi waisazviziva kuti


vaimbotamba vese"

"Ndozviziva asi chakaita kuti vapesane


ndicho chandisingazive"said Daisy.

Mazuva aya ndanga ndamira kushanda


kubva pandakapihwa mari yekuforoma
zvidhina kwatakaita.Yanga yakawanda
ndanga ndichinayo
hangu.Ndakatombotenga kabhurera
ndikazviumburudza nako sezvo nhumbu
yangu yaida kudya.Kwakasvika pakusviba
Daisy ndingori naye anga akutya kuenda
kumba kwavo.Ndakamuperekedza
ndikamusiya pagate pavo ndiye dhuma
dhuma namai matemba vachibudawo
ndofunga vaitsvaga Daisy.

"Lisa ndakati chiii please siya nekutaura


nemwana wangu andisi kuda zvenoise
newe,iwe Daisy haunzwe wakaita sei
heee", vakadaro vari low low waitoona
wega kuti shasha iri kurwara.
"Mama sorry kani" said daisy
achipinda.Mai vake vakandipusha
ndikadonha pasi ndikatanga kuchema
ndoshaya mkadzi uyu
ndakamutadzirei.Saka imhosva here
yandaita kuperekedza mwana wake.Daisy
anga apinda mumba ivo mai Matemba
vakapinda mumba mavo ndakatanga
kufamba ndikaona hezvo ndadirwa
mvura.

"Lisa usafa wakatsika gumbo rako pano


ndikuone uchitaura naDaisy izvozvi vana
vangu vakundivenga nekuda kwako uri
kundiparadzanisa nevana vangu
kamuroyi kutodza mai"

"Okay mama ndazvinzwa sorry henyu"


ndakadaro.

"Very soon ndichakudaidza kumuchato


waDavie ava kuda kuzoroora musikana
wainaye ndivo vanonzi vakadzi kwete
zvako izvo hausati wakugona kana
kugeza chaiko ipapa uri kutonhuhwa
dhodho hamba" said mai matemba
vachitaura low low zvavo.Mashoko ekuti
Diva akuda kuroora akandirwadza
ndakatanga kuchema ndakatarisa mai
matemba.Ndaifunga Diva achauya
kuzokumbira ruregerero kwandiri
togarisana zvino zviroto
ndakarwadziwa.Andina kupindura
ndakatanga kufamba kuenda kumba
kwangu.Ndanga ndakutodemba
nechandaperekedza Daisy dai ndisiri
kuchema kudai.

*DAVIE*

Life yangu yaifaya andidi


kunyepa.Ndaimboita maparty pamba
tichifara asi pane kamwana kanonzi Ropa
ndaikada but kaisabatika
zvekumhanya.Kubasa ndaienda everyday
ndaishanda nesimba.

"Ko mudhara ishuwa here makamitisa


kamwe kamusikana ndakanzwa
makakaramba" said Dony.

"Wakanzwa naniko handina


wandakamitisa vanhu vanotaura
zvekunyepa" ndakadaro.

"Munhu akandiudza haanyepi ichokwadi


but bro hazvisi fair iwe uri kufara mwana
wevanhu wavakamitisa achichema"

"Iwewe nyaya yako yekuda kuzviita holy


ndiyo inondibhowa akuudza kuti inhumbu
yangu ndiani usaita zvekuti tipesane"

"Wakukanganwa uchindiudza kuti


wakamuvhura handinyarare unoziva
ndikanyarara apana anokuudza
chokwadi"said Dony.

"Nyaya iyi ngaipere Don handisini ndakati


ushaye musikana "
"Rimwe zuva uchachema nezvauri kuita
izvi apa ukuda kupfimba Ropa siya vana
vevanhu kana uchiziva hauzovaroori
better uende kumahure kubhawa
kwawakakodzera"

"Pastor Dony ndazvinzwa asi pana Ropa


ndoda kukuratidza ndiri chibaba chako
hanty akakuramba ka"

Dony aindibhowa anga achinja kubva


madays akatanga kuenda
kuchurch.Zvekutsiura aizvida pabasa
anga akuzivikanwa nenyaya iyoyo.Asi
chero zvikadiii vese panyaya dzekuziva
basa vaiva kumashure
kwangu.Ndakachaisa ndikaenda kumba
nemota yangu.Kwanga kuchakachena
ndakapfuura nekumaraini ana Ropa
ndikamuona ari
pashop.Ndakamushevedza akangowevha
maoko akamira pashop ipapo.Ndakadzika
ndikaenda paari.

"Uri sei hako Ropa"

"Ndiri bhoo hangu"

"Wava kudada ka"


"Handidade ini"

Takaitaura tichifamba tikanomira


pamota.Akandipa number dzake
ndikaenda kumba kwangu.Manheru
ndakatanga kukapfimba pafoni kakatanga
kachiramba.Kakazobvuma ndakafara
ndakanonoka kurara zuva iri
tichitaura.Ndakamukira kubasa kwangu
munhu wandaida kuona ndiDon
ndakamuratidza machats.
"Uyu ndotoda kumuroora chete"
ndakadaro ndichinyemwerera.

"Okay ndazvinzwa"said Don.

"Ka okay aka kari right here Don"


ndakadaro.

"Davie wati uri kuda kuroora Ropa ndikati


okay unoda nditi chiii"

Ndakaona kuti Don aitorwadziwa neni


ndakamusiya akadaro.Ndakachaisa
ndikaenda kunoona Ropa.Ndakaswera
ndiinako zvangu pamba pangu.Ropa
ndakarara naye anga asiri virgin zvakada
kumbondirwadza asi ndakazosiyana
nazvo hangu.

"Ropa ndinokuda ndoda kuti uve muroora


wamai vangu"

"Ummm daddy ndichiri mwana ini"

"Hausiri mwana ingobvuma"

"Kuroorwa newe Diva ndoda ndanga


ndine crush newe kubva kudhara" said
Ropa.

"Ummm serious here saka pa weekend


ndichaenda kumusha kunoona mai vangu
ndovaudza kana vakakufarira ndozouya
ndichikutora wonavaona"

"Thanks asi ndaida kutanga ndapedza


chikoro ini"

"Unozopedza wakugara pano"


ndakadaro.
Ndakarova zvinhu zvangu zuva iri
kakazoenda kumba kwasviba.Weekend
yakasvika ndikaenda kumusha ndiri
kutozvifarira zvangu.Ndakasvika mai
vangu vakarara she was not feeling well.

"Saka mama pandikudzoka ndikuenda


nemi mozodzoka mapora" ndakadaro.

"Zvakanaka mwanangu izvozvi zvatova


nani"said mama.Daisy naDean vanga
vari ziii zvavo.Ndakashamisika kuti Daisy
asina kumbofara ndasvika.Taisiwirirana
nekahanzvadzi kangu aka.
"Ko Daisy ari kurwarawo here
zvaakangoti zii" ndakabvunza.

"Ndakabva kumurova nezuro nenyaya


yekuda kunotamba naLisa haanzwe
hanzvadzi yangu ndomumwe ari kundipa
BP"said mama.

"Daisy my lil sister washaya shamwari


here"

"Mkoma ndava kuzvituka pazvese


zvandakataura about Lisa
ndezvekunyepa ndaitaura kungofadza
mama asi kutaura chokwadi Lisa munhu
ari bhoo haana problem nevanhu"
kakadaro Daisy.

"Saka kureva kuti zvese zvamaitaura


namama ndezvekunyepa"ndakadaro.

"Davie ini Lisa andimude pano agara


ihure nhumbu yaanayo ndeya Vhunai
ndakavaona vose mazuva apera ayo
kana ari Daisy usamutevedza haazive
zvaanoda" said mama.
"Mama ndoita zvamoda moyo wenyu
ufare kuti ndive zvandiri ndimi I love you
so much"

"Pamese vana vangu Davie ndokudira


unoterera unondirespecta ari saDean
ameno ameno asi Lisa akanditukisa
naHakim ari kuda kuparadza musha
wedu"

"Lisa agara ndisatan chaiye saka airara


nana Vhunai,mirai ndikamuona ndoda
kumurova Lisa nxaaa akanditukisa
naHakim, iye Hakim nyaya yake yekuda
kutonga tonga ndoyandakamuvengera"
"Vana vangu handidi muvengani ndimi
vanhu vanofana kudanana hamusi kuona
Lisa ndiye ari kuda kuti paradzanisa"said
mama

"I hate you mkoma Davie ,Lisa ari


kutambura becoz of you dai mukaona life
iri kuraramwa naLisa maisambotaura
zvamuri kutaura mama ndimi mune
error"said Daisy.

"Daisy wataura chokwadi Hakim wamuri


kuti anoda kutonga apana chakambotaura
chakashata iwewe Davie waimitisirei Lisa
uchiziva kuti hauzomuroori"akadaro
Dean.

Mama vakatanga kupopota vakagumisira


vangodonha pasi ndiye zii.

"Dean naDaisy maona ka nyaya dzenyu


why muchitadza kungoita zvoda mama
itonyarara hako Daisy ndisati ndakurova
izvozvi chifara ka mama vadonha
zvawaida"ndakadaro anga apfugama
pakarara mama achichema.Ndakavaisa
mumota tikananga kuhospital
kutown.Vakasvika vakapihwa mubhedha
doctor vakazoti mai venyu vachaita bhoo
asi vadonha neBP.Takaenda kumba
kwangu tiri vatatu zvedu mama vakasara
pachipatara.

*Thanks nemacomments*

Zvikanzi ndikati hoo

*Watch out for chapter 21*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/J11WrTw8QE
F9fX7hhzArsK

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*CHAPTER 21*

*DAVIE*

Kudonha kwakaita mai vangu


kwakandirwadza andidi kunyepa.Zvinonzi
ukaremekedza mai vako kana vakafara
newe unobudirira unova nehupenyu
hunoendeka.I mean ukaremekedza
vabereki vako sezvo zvakanyorwa
mubhaibheri.Takasvika Daisy akaramba
kubika ndakavasiya vakadaro.

"Saka muri kufara ka kuti mama vari


muchipatara"

"Wamuri kuona ari kufara ndiani" said


Daisy.Dean anga ari zii ari pafoni pake.

"Daisy wakufarisa mazuvano manje ini


andisi Dean ndoridzemura zidzoro iroro"
ndakadaro.
"Whatever" kakadaro.

"Saka mama vanga vari right pavati


wakutamba naLisa ndiye akakuti
undivenge undidaire rough apa munenge
muchinditaura"

"Ehe ndotamba naye manga mati chii,


kwenyu kuri kuda kutaurwa here Lisa
haambotaure zita renyu futi saka siyanai
naye"

Ndakakapa mbama kakabva katanga


kuchema.Zvemunhu anoda kundijairira
ndaisazvida.Ndaida kukarova kakapona
naDean.Dean akanoratidza Daisy kuroom
kwainorara kanga kakafutisa matama.Lisa
ndiye wandoda kupedzerana naye
chete.Munhu wepi anodzidzisa hanzvadzi
yangu zvisina basa.Ndiye umwe
akushungurudza mai vangu
chete.Takarara mangwana tikamukira
kuenda kuchipatara mama vanga vamuka
asi waiona kuti vari kurwadziwa.

"Mama chiii chiri kurwadza" ndakabvunza.

"My son musoro wangu nekunzwa kupera


simba"said mama vachitaurira pasi pasi.
"Mama saka ndokutengerai chiii
chamunoda kudya"

"Now apana chandikuda mwanangu


where is my daughter" vakabvunza
mama.Ndakapererwa nemubvunzo uyu
Daisy anga akagara paside navo pabed
pavakarara.Asi avachaoni futi.

"Mama asi maziso akurwadza futi here


Daisy akagara apa uyu" ndakapindura
Daisy wacho aingobudisa misodzi
akabata ruoko rwamama vakabva
vamutarisa.

"Mama munopora ndokunamatirai"said


Daisy.

"Kubva pandakabva pamba pagogo


venyu pari kugara Lisa muviri wangu
wakatanga kurwadza sei mwana uya ane
zvakandiita chete"said mama.

"What akanzi agare pamba pagogo nani"

"Ndini ndakamuunza ipapo manga mati


chii" said Dean.

"Dean sei uchidaro ukuona ndiye akaita


mhamha varware chete akuda kuuraya
mama mirai mama next weekend
pandodzoka kumusha ndoda kumupeta
zvekuti kamimba kaanako kanobva chete"
ndakadaro ndanga
ndatsamwa.Ndaisafungira Lisa angasvika
palevel rekuroya mai vangu apa haana
respect futi.

"Davie ukaita zvakashata kuna Lisa oooh


naMwari ndoipisa imba yako iyo"
kakadaro Daisy kutadza kuti
mkoma.Ndakakapa mambama kakatanga
kuridza mhere takazobudiswa muward
maiva namama nemanurse ndakaona
mama havana kufara nekurova
kwandakaita Dean.Vanga vachanzwikwa
nani mama vaitaurira pasi isu tanga tava
busy kutukana naDean.Ndakavasiya
pachipatara ndikaenda zvangu kubhawa
kunonwa ndaitoda kubvisa
stress.Ndakatenga ndikarova mota
ndakananga kumba ndikasvika kunwa
ndiriko.Kusvika ndabatwa naro mumusoro
ndipo pakasvika Dean naDaisy.Avana
kana kumbobika vairatidza kuti vakaguta
ndakaziva kuti vatenga chikafu.Pasina
nguva ndakatanga kurutsa doro riya kana
kupukuta marutsi andina ndakaenda
kunorara.Ndakazomuka kwadoka
ndikageza ndikaona hezvo marutsi
ndakakorobha.Ndikaenda kuchipatara
ndiko kwaiva nana Daisy.

"Davie zvawakuita mazuvano


andizvifarire nyaya haitongwi nefight asi
kutaurirana mune zvakanaka do you
know Daisy wauri kurova ndiye tete wako
ava vachange vachizogadzirisa nyaya
dzako nemkadzi wako"said mama
vakapora pora.

"Mama saka munoti zvinondifadza here


kunzwa kuti Daisy akutamba naLisa hure
riya ko akadzidziswa chihure muri kuona
hasisina respect uyu"

"Hure ndiani hausiwe wakamubvisa


humhandara here Diva usaita hutsinye
Daisy tamba naLisa kusvika vati eke"said
Dean.

"Dean naDavie garai pasi nditaure


wamunofana kunetsana naye ndiLisa
muri kuona ndiye akupesanisai hamusi
kuzviona imi muri veropa rimwe itai one
love" said mama.

"Mama kana ari Lisa musatya


ndakamugadzirira good size yake"
ndakadaro.

Mazuva akafamba Ropa ndakaenda naye


kuchipatara akaona mama
vangu.Ndakafara kuti mama vakamufarira
zvisingaite kana iye Ropa wacho
akanzwa kufara.

"Daddy I'm happy mama vako vandifarira


hiiii she is so sweet"said Ropa.

"Really ko pamasara paya maitaura dzei"

"Inyaya dzevakadzi iwe aaah"

"Hooo ndanyarara hangu bbe"

"Hubby asi bamunini Dean natete Daisy


avana kundifarira maitiro awo anobhowa
vanodada kunyanya katete kangu kaya
kairolla maziso kakanditarisa"
"Haaaa avo siyana navo my big bro
Hakim achakufarira ari kuuya soon
ndobva ndakuroora"

"Asi chandafarira mai vako vanondida


vamwe avo vakasandida I don't care" said
Ropa ndikabva ndakanama kiss ipapo
ipapo.Takaenda mutown nabae wangu
tichimbofurwa nemhepo.

"Hiiiiii bbe ndakanganwa kukuudza


ndakarwadziwa my lil sister Lisa
akamitiswa hiiii mama vari kupopota sei
ko akamitiswa nani" said
Ropa.Ndakarohwa nehana kuti Lisa
isister yaRopa.
"Ko Lisa isister yako pakudii nhai"
ndakabvunza.

"Mai Lisa namama vangu vanozvarwa


vese mai lisa ndivo vanga vari vahombe
apa ndikuda kuenda kunoona Lisa ,ko
hauna kupindura ko akamitisa Lisa
ndiani"

"Akamitiswa neumwe mufesi anonzi


Vhunai anoforoma zvidhina your lil sis
aizviwanza chihure apana asingazvizive"
"Aaah Lisa munhu anga akadzikama uya
inga zvakaoma"

"Nyaya yaLisa ngaipere musiye akadaro


ndokuti adzidze kuti makumbo haavhurwe
zvisina staera usaenda kunomuona
ndotya kuti anozokufurira"

"No daddy ndofana kumuona munin'ina


wangu"

"Haaa bhoo"

"Matsamwa okay handichaendi kwacho"


akadaro Ropa ndikabva ndamusimudza
ndikamupa kiss.Takaenda kumba
ndikasvika kurova makumbo nhumbu
ichabata chete apa.Ndakanyatsa
kuzvifeeler ndega kuti apa ndabata basa
zvandisati ndamboita muhupenyu hwangu
ndakapusha nguva refu ndichimubaya
mapart anotapira chaiwo.Zvekuti iye
akadetemba mutupo wangu
zvakandakafarira ndiwo vanonzi vasikana
anga ane action.Kwete zvaLisa apana
chakanoziva kamwana kaya unoita kunga
wakarara nedanda.Twana Dean
twakasvika ndichibuda nemusikana
wangu apana zvavakataura zvavo.

Mama vakazobuda muhospital vanga


vava nani.I was happy vakadzokera
kwavo kumusha nevana vavo.Ndakasara
ndichironga chiparty pamba pangu sezvo
tanga tatambira.Asi Dony akaramba akati
andichaite izvozvo ndakamusiya
akadaro.Ndikakoka nemahure navasikana
vakawanda.Party yakatanga manheru
yaiva yakawanda vasikana mabitch ega
ega.KaRopa kakauya zvako party yava
pakati.

"Hindava wanonoka kuuya"

"Pamba apabudike apo ndazonyepera


kuenda kunorara ndikabuda nepawindow
remuroom mangu" akadaro ndikaseka
zvangu.Takadzoka kumafaro kwaiva
neumwe ndainwa zvangu beer Ropa
ainwa madrink akati mabeer haabate
hake.Chiparty chakanakidza idzi.
"Daddy ndakuda kuenda ini"

"Ukumhanyirei nhai Ropa mira kani"

"Mama vangu vanomuka pakati pehusiku


vachizoda kucherera mvura vanogona
kuzowana ndisipo" akadaro.

Ndakaona kuti airevesa


ndakamuperekedza kumba kwavo
ndikasiya apinda nepawindow pabuda
napo.Ndakadzoka ndikambotamba
zvangu ndikanhonga rimwe hure
randakazorara naro husiku
hwese.Kuchiedza pamba panga
pakasviba zvisingaite.Ndakatanga
kucleana zvangu kusvika pachena.Ndikati
regai ndinotora mari ndinotenga
chingwa.Kudai mari handichaiwani
ndakatsvaga ndatsvaga zve.Mari
mawandiro ayanga yakaita so ndakabva
kuhora ini.Ndakagara pasi chaipo kuti
ndizive hure randakarara naro rogara kupi
ronzi ani ndaisaziva asi obvious ndiro
rakaba mari yangu.Ndakarwadziwa
andide kunyepa apa mumba ndanga
ndisati ndatenga grocery
remumba.Ndakaenda kumba kwaDon
ndikasvika aripo.
"Wadiii Don"

"Bhoo hangu anga ari sei mafaro"

"Haaaa ainakidza but eish ndakazobirwa


mari nezuro apa ndanga ndisati ndatenga
grocery repadeni"ndakadaro

"Mari yese here"

"Ehe gaya muwandiro wayanga yakaita


takashanda maover time ka isu"
ndakadaro.
"Zvinorwadza sorry hako,"

"Ndikweretesewo shoma ndozokupa kana


umwe mudhara ari kuda kugadzirirwa
Stove akauya"ndakadaro.

"Mari yandanga ndinayo ndakasendera


mai vangu kumusha uko yese kuti
vatenge mbeu nefertliser yasara ishoma
ndoda kutenga chikafu changu"

Ndakaona kuti andipabude


apa.Ndakadzoka kumba ndichigaya kuti
ndoita sei haaa mira ndifonere Hakim
anditumire mari pamukuru.Ndaida
kukumbira maiguru Lean ndaiziva
naHakim aisandipa nenyaya dzaLisa
idzi.Foni yacho yamaiguru yakadairwa
naHakim wacho ndakapera simba,
ndakazomukumbira mari akabva
akata.Pasina nguva mama vakafona
vachiti nditumire fertiliser nembeu mkoma
vako havasati vatipa mari.

*LISA*
Ndaitozvifambira kumagirosa
ndikasangana naFadzie ane shamwari
dzake.Vakatanga kuseka vachindiwanzira
andina kuda kuita basa nazvo.Ndaitobva
kunotsvaga maricho asi zuva iri kwanga
kwakaoma akuna kwandakawana.Asi
kamari ndanga ndinako hangu
kandakahora kuzvidhina uko.Ndakapfuura
nepamba ndikaona Noku airohwa naMai
Gift.Noku anga akapfeka uniform airatidza
kuti achangobva kuchikoro.Moyo wangu
wakarwadza kuona mwana wamai vangu
achirohwa zvakadaro.Ndakanobata Mai
Gift ndikamira pakati pavo naNoku.

"How do you feel kunzwa kuti mwana


wenyu ari kurohwa semarovero amuri
kuita Noku andisi kuramba kuti munhu
atadza anorohwa madiii kunomurovera
mumba panze apazoite" ndakadaro.

"Eeehh munoda kunzi munoziva ka


iwewe ndiwe benzi rekupedzisira ibva
pano apana space yako"

"I know apana space yangu andina kuita


nharo hangu ndiri kubva Noku be strong"

Ndakatanga kufamba kubuda Noku


akanditevera achimhanya.Ndaisada kuita
nharo navo.Vanoda kunetsa ndosiya
vakadaro.

"Ko uri kuendepi"

"Kunogara nemi"

"Noku azviite vanhu vanozowana


chekutaura iwewe be strong ndakaona
une problem yekuda kudaira mai Gift
haugoni kunyarara here"

"Sis imhosva here kubvunza kuti chikafu


changu chiripi okay kwacho andichataure
asi baba vachiuya ndikuda kuvaudza"
"Usavaudze ingonyarara vachazozviona
vega ukavaudza vanogona kukurambira
sezvo vachiri kufarira mwana munyowani"

"Iwe Mai Gift vanonyepera kundida baba


varipo zvozoita as if towirirana
zvisingaite"said Noku.

"Ndazvinzwa Noku iwewe siyana nazvo


apana chaunobva inga wani ini ndotaurwa
zvakawanda muraini muno asi
ndonyarara"
"Okay sis ndichaita sezvamataura saka
kumba kwenyu mabikei ndine nzara"

Ndakaenda naye akadya sadza nemowa


zvandanga ndasiya akabva aenda
hake.Denga rakatanga kuchinja
kwairatidza kuti kukuda kunaya mvura
inotyisa.Ndakabuda kuenda kumba
kwamai Natty ndaida kuona Natty
ndikasvika asiko.

"Saka akaendepi" ndakabvunza.

"Ari kudzoka manje manje akaenda


kwamkoma vacho" said mai vacho.
"Okay thanks mama andichagari regai
ndimhanye mvura isati yanaya iyo"

"Chimbomira Lisa ndoda kutaura newe


ndanga ndakatsamwa nezvawakaita
ndaida kukutora kugara newe baba Natty
vakaramba asi usachema hakusiko
kuguma kwehupenyu iwewe namata
nesimba ndiwe munhu achagarika
kumberi uko"

"Thanks nemashoko enyu mama"


"Ndozviziva zvotaura vanhu muno
zvinorwadza asi usazviterera iwewe mira
ndikupe bible upote uchizoverenga asi
please paunorara usakanganwe
kunamata Mwari ndivo vanokusimudzira
kwete munhu zvakewo" vakadaro Mai
Natty vakasimuka kuenda mumba mavo
vakabuda vakabata bible nepaperbag
ranga rine mabanana.Vakanditambidza
ndakafara apa mabanana ndaimada sei
asi mari yekumatenga manje ndipo
painetsa.

"Hiiiiiiii apa mandigonera mama ndafara


ndomada zvisingaite" ndakadaro
ndichitodya.
"Unenge une matwins chete iwewe"

"Aaah mama mazviziva sei asi


zvinooneka here"

"Aaah kungotaurawo Noku akandiudza


kuti madyiro ako akanyanya"said mai
Natty.

Vakandipa chimukuyu chenyama


nekamari hanzi wotengawo
mafuta.Ndakavatenda ndakaenda kumba
kwangu ndichifara.Mwari wangu
andigonera ndakasvika kumbodya
mabanana ndikasiya mamwe ndaida
kuzomadya mangwana.Mvura yakatanga
kunaya ndakapinza huni mumba.Zuva iri
kwakanaya mvura inotyisa.Ndakavesa
moto ndikaisa chimukuyu chiya
pamoto.Chakakwata kusvika chanyatsa
kuibva ndikachibika zvakanaka ndanga
ndine tumadomasi tushoma
twandaibhajetawo.Ndikabika zisadza
rangu rikaibva.Ndakapakura ndikaisa
sadza maro rega muriwo
mawo.Ndikachera mvura mucup ndikaisa
paside.Ndakatanga kufamba naro imi ziya
rakaita kubuda.
Ndakarara ndisina kugeza zuva iri
ndainyatsa kunzwa kuti ndadya.Makuseni
vanhu vanga vari muminda vachisima
zvavo.Ndakaswera pamba pangu Daisy
akauya kundiona.

"Uri kudei pano handide zvekutukwa


namai vako hangu" ndakadaro.

"Kutukirwei avana basa avo"

"Zvine basa kwandiri Dee respect your


mother"
"Hezvoo ok ndoenda hangu ndazviona
makandivenga" kakadaro.

"Daisy mira andina kukuvenga asi mai


vako vakati ndisataure newe"

"Ko sei vachindirambidza kutaura nemi


naNoku why"

"Aaah ameno ko amusi kusima here"

"Haaa ameno mama sei vasiri kuda


kusima"
Drop your comments

*Watch out for chapter 22*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/J11WrTw8QE
F9fX7hhzArsK

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 22*
*LISA*

Kwakasviba Daisy aripo tichingotaura


nyaya ndakabika sadza ndikatodya
naye.Daisy ndanga ndakumufarira hangu
asi mai vake ndivo vandaitya hangu.

"Hona kwasviba chienda mai vako havasi


kukutsvaga here uko ndiani anobika uri
kuno"

"Ndezvawo izvo tanetsana nenyaya yavo


yekuda kundiita rough inyaya yekuti
havana kutumirwa mari namkoma
Hakim"said Daisy

"Hooo asi please respect your mother


utombori nawo yako isu atina" ndakadaro
ndakuda kutochema.Ndanga
ndakutofunga mai vangu.

"Ndova respecta asi zvavanomboita


sometimes zvobhowa asi why Noku
asingade kutaurawo neni"

"Kutaura newe anoda asi akanzi asataura


newe namama vako chete"
Ndakabuda ndikamuperekedza kumba
kwavo ndakamusiira pagate
akapinda.Ndakadzoka kumba ndikasvika
nekurara zvangu.Makuseni ndakamuka
ndichinzwa kuneta ndakagara zvangu
panze kwanga kune makore yanga iri
nguva yekusima.Ini ndairima papi munda
wacho ndanga ndinawo here kana badza
zvaro.Huni dzangu dzanga dzakupera
ndaida kuzoendako kana ndisina kuneta.

Ndakaswera ndega pambu zuva iri


paitobhowa zvapo.Dumbu rangu ranga
rakura zvaro.Noku akasvika akarova
uniform airatidza kuti achangobva
kuchikoro.

"Hesi kani wamai"

"Ndiri bhoo kumba kuri kubhowa kubva


pamakabva sis"

"Hooo kuchanakidza soon kana ukafarira


zvekunamata" ndakadaro, ini pakunamata
ndanga ndisati ndakura pamweya asi
ndaidzidziswa namai Natty.

"Ndinonamata ini, sis pane mufesi ari


kundinetsa anondigarira ndichibva
kuchikoro uko"
"Ndiani iyeye Noku"

"Andizive zita rake hanzi Vhudzai Vhunai


here ameno"

"Noku you are still young zvevakomana


chimbomira mkomana iyeye ndomuziva
mufesi waFadzie siyana naye"

"Handimude ini ndozoita mkomana ndava


form 6 apa anditengera mabhisvo
nedrink"

"Ukatozvitora here iwewe


uchanyengererwa ukabvuma nezvinhu
zvakapusa"
"Ehe ndorambirai chinhu chekupihwa asi
paatanga kutaura nyaya dzekuti anondida
ndamutuka anyara kani kunga imbwa
yakwira mubhazi" said Noku.

"Asi Noku ka type dziya ndidzo dzine


vakadzi anogarepi"

Takambotaura nyaya akazoenda hake asi


akati akuuya mangwana toenda
ondiperekedza kuni sezvo inenge iri
weekend.Ndakabika kasadza kangu
ndikadya ndikanamata kwakurara
zvangu.Ndikapepuka newet pakati
peusiku ndikanamata.Kwakazoedza
ndakagara ndanga ndisisina hope.Daisy
amukira kuuya pamba pangu ndichidya
kamunya.Ndakafara kuona akandivigira
mabanana ndaimafarira sei.

"Wow thanks tete" ndakadaro

"Wow ndanzi tete hiiii"said Daisy achibata


muromo wake.Noku akabva asvikawo
pakaona Daisy akabva asunga
face.Ndakaramba ndiri zii vakabva
vadzvokorana.Ndakavayeva Daisy
naNoku ndikaona vakafanana
zvisingaite.How come kuti Daisy
azofanane naNoku.Zvakandinetsa asi
ndakazopepuka ndakuona vanhu
vakutukana.Apa zvichitaurwa zvonzi Noku
neni takafanana namai vedu.Asi mama
vanga vari vatsvuku saDaisy uyu.

"Hey stop it girls" ndakadaro.

"Noku handina kukuvenga asi


ndikukuyambira siyana naVhunai uyo
anoda kukuparadzira future yako
ndakakuona nezuro unaye ndibaba vaya
haasi mkomana" said
Daisy.Ndakashamisika kuti ndibaba asi
aisaratidza kuti anyanya kukura.Saka
Fadzie ihure anodanana nemurume
wemunhu.

"Baba ani Vhunai here ndibrother vaya


ndagara ndakuona kuti uri kuvada tora
handida basa navo brother vaye"said
Noku.

"Munhu ane mukadzi nevana four


anyepere iwewe kuti ndiri brother ,iwe
nekuti wakafa pfungwa hautoongorori
ndebvu dzacho dzakora kudai kunga
chibage ,dzisingachashande reza
dzakuda banga ndotype yabrother here
iyoyo,vane kumeso kwakawira kunga
bhora reguby ndibrother here ivavo,vane
kumeso kune mapoth holes
ekumuZarabani nxaaa,Vane kumeso
kwakaita makomba kunga road
dzekumufakose" akadaro Daisy munoziva
ndakadonha pasi nekuseka ndikaita
kubuda misodzi kune vanhu vanotsvinya
ndabvuma hangu.Vhunai wacho
akazvinzwa haaa Daisy anorohwa
chete.Noku aisada kuseka asi ndakaona
akuseka.

"Asi ndataura zvisingaite here ndaizama


kutsanangura mamiriro akaita Vhunai"
said Daisy.

"Haaa Daisy ucharohwa ukanzwikwa


naye"ndakadaro.
"Ndoudza mama vangu muno apana
anondijairira ndine bheki apu yamoms"
akadaro Daisy achiseka.

"Haaa kungatodoka tichitaura ndikuda


kuenda kuhuni"ndakadaro.

"Handei tese" said Daisy.

"Sara hakuna kwaunoenda" said Noku.

"Noku hausi wakuzvinyanya here apa


handisi kutaura newe siyana neni ndoziva
haundifarire"
Ndakavayananisa asi havana kunyatsa
kupindirana havo.Noku ndiye aisada
kutaura naDaisy asi Daisy aifarira
Noku.Takasvika kuhuni Daisy naNoku
vakati sis musatakura henyu titakure isu
ndakafara zvisingaite.Asi ndaiti
ndikaramba ndakatarisa Daisy ndaifunga
mai vangu.Takadzoka kumba tikasvika
pamba pangu paine mota
yaDiva.Ndakashamisika kumuona
akamira mumba mangu.Panga pasina
key ndaisunga newaya.

"What Daisy ihuni dzaLisa here idzo"said


Diva ndiwo mashoko akatanga
kutaura.Asi umwe moyo wakafara
kumuona asi ndakafunga nhamo
yandakaona ndikasunga chiso.

"Apana kusunga chiso kwaunoita sei uri


kushandisa hanzvadzi yangu"said Diva.

"Aaah handisi kushandiswa ndini ndatoda


kutakura ndega Lisa is my sister" said
Daisy.

"Shut up now, iwe Lisa unozviziva here


ndokurova ukafira mumaoko angu apa
unoti kushata haaa wagara unoenderana
nababa venhumbu Vhunai pane
musikana wangu hausvike"said Diva
ndakafinyama ndakatarisa kuside asi
kutaura fair mashoko
akandirwadza.Ndakaona mbama yarira
padama pangu ndikaona ndiDiva anga
andirova, anga abatwa naNoku.

"Satan wakufarisa manje wakamitisa sis


wangu wapedza wakuda kuvarova ndiripo
no manje azviitike ndiripo zimuroyi
haushamisire iwewe uri kuzvinzwa here
sis Lisa vakanaka iwewe haufe
wakawana musikana akaita sasis wangu
uchazozviona hako"said Noku.Akabva
apushwa naDiva akanodhera pamabucket
pangu Noku akanorovera nemuromo
akatanga ropa.Moyo wangu wakarwadza
kuona izvi uyu Daisy akada kubata
mkoma vangu asi akadzikamiswa haana
kurohwa.Noku akanhonga poto akatema
Diva nayo pagumbo.

"Nokutenda handisi hama yako uri kufira


yekuda kunzi unoziva" akadaro Diva
achienda paiva naNoku akabata
Daisy.Daisy wacho akapushwa
kunze.Daisy ndakaona Daisy akumhanya
akatora direction yekumba kwavo pamwe
ainoshevedza Dean.Davie airatidza kuti
anga agumbuka anga ato mhinyuka
gumbo rafurwa naNoku.

Noku akabuda achida kutiza akabatwa


panze.Ndakaenda kunonunura mufana
wangu ndikaigashidzwa mbama
naDiva.Ndakabva ndadonha pasi
ndakuchema.Noku akanhonga matombo
akatanga kutema Diva.Rimwe rakasvika
mumusoro maDiva ndikaona akubuda
ropa.Noku akabva atiza kuti Diva atevere
zvaisaita anga akuvara gumbo.Pasina
time ndakaona Dean asvika aina Mai
Natty naDaisy futi.Mai Natty vakasvika
kundisimudza.

"Mwana iwe nhasi uri kunorara kujeri


simuka Lisa tiende kupolice station
chaiko" vakadaro Mai Natty.
"Mai imimi musapindira zvamusingazive
zvatangira kupi muri kuona zvandaitwa
nevana ivava kunyanya kahure kadiki
Noku katiza apa"said Davie.

"Futseki zimuroyi kutodza mai hamuna


kurairwa imimi vana manje neni
munodzikama une shuwa wakamitisa Lisa
wakamuramba zvino wauya kudiii
kumurova here mira unodzikama handei
Lisa" said Mai Natty vakandibata ruoko
tikatanga kufamba.Dean akasara
akatarisana nebrother yake.Takaenda
nekumba tikatora Noku anga azvimba
muromo maziso akatsvuka waiona kuti
anga achichema chete.
"Musachema mirai ndoda vambomurova
iye Diva vamupe size yake ko iwe Daisy
uri kuendepi apa" vakabvunza mai Natty
tanga taona Daisy ari kumashure.

"Aah zvaitwa namkoma zvakashata asi


dai ta...." akabva agurwa naNoku.

"Gara wanyarara hako tichakuona patiri


kudzoka nepolice ndipo
pauchazotaura"said Noku.

"Daisy huya pano" vakadaro Mai


Natty.Daisy wacho akafamba akauya
kumira pamberi pavo.

"Ndiwe witness ndoda uzotaura


zvanyatsoitika zvese ukanyepa ameno
hako uchademba kwehupenyu hwako
hwese Mwari vakupanicha"said Mai
Natty.

Daisy akada kumboramba aisada mkoma


vake vasungwe asi akazobvuma atukwa
namai Natty.Ndakanyatsoona kuti grudge
revanhu ava ranga rakakura
chaizvo.Takasvika kupolice station
ndaneta tikataura nyaya yedu yese.
"Davie Matemba ndiye aita izvi here
haaaa nhasi anochiona maoko angu ari
kunzwa kuda kurova munhu"said Boja
umwe mupurisa.

Takapinda mumota yepolice takaenda


kumba kwamai Matemba tikasvika Diva
aripo zvake asina kutiza ameno
aitembei.Mai Matemba vakavhura ziso
vachiona ndichisvika nepolice.

"Uyu ndiye Davie wacho" akadaro Noku


akanongedza Davie.Davie akanzi une
mhosva akada kureasoner asi akaramba
kuiswa njema.

"Imi vana imi ndinyarei atadzei mwana


wangu iwe Mai Naison ndiwe ukuda
kusungisa mwana wangu here" vakadaro
Mai Matemba.

"Mabasa ake ndiwo ari kumusungisa


asara kusungwa ndiwe futi usafunga
zvawakaita gore riya
ndazvikanganwa"said Mai Natty.

"Newe futi unofana kusungwavo ndine


nyaya dzako dzandoziva saka itonyarara
dzikama"said Mai Matemba.
Mai matemba naMai Natty vakatukana
kwenguva yakareba Davie akaramba
kuiswa njema akatanga kurohwa
nemapurisa aya.Mai Matemba vachiona
izvi ndinoona vava kutora foni yavo
vachiibaya baya.Ndakaona vaenda
paside vachifona ameno ndiani
aifonerwa.Davie akatorwa akaiswa
kumota yepolice vakaenda naye.Isu
takanzi titevere netsoka.Takatevera
zvedu tikasvika Diva akatanga
kubvunzwa.

"Ndiwe warova mai vane nhumbu


nekamusikana ako uri kuzviramba here"
"Ndinobvuma asi ndaizama kuzvidefender
nekuti ndivo vatanga kundirova nyaya iri
pakuti ndakambodanana nemusikana uyu
ndikazomuramba mushure mekunga
amitiswa nevamwe tsaga saka ndipo
pakabva grudge racho vaizama kundipa
nhumbu isiri yangu" said Diva.

Papera kanguva takaona Mai Matemba


vachipinda neumwe murume anga
akapfeka suit.Ndakamuziva vaizvarwa
namai Matemba asi ndaisaziva hangu
basa ravo.Mashoko akazotaurwa apa
anga asina kuchipa ndipo pandakaona
kuti Mai Natty havana kuchipa kunga
bhero.

Drop macomments

*Watch out for chapter 23*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*
https://chat.whatsapp.com/J11WrTw8QE
F9fX7hhzArsK

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 23*
*DAVIE*

Sekuru Jerry vaizvarwa namai vangu


ndivo vakazopedza bopoto ramai Natty
namai vangu.Ndakatoona kuti pane
secret hombe iripo pakati pevakadzi
ava.Zuva iri ndakarara ndakavharirwa
zvakabva zvaita ndivenge Lisa
zvakanyanya.Makuseni acho mai vangu
namkoma vavo vakauya vakabvisa mari
ndikabuda.Takaenda kumba tikanogara
mudinning ndakaona kuti pane nyaya
yaida kutaurwa.

" chiii chiri kumboitika Davie why


wakarova Lisa naNoku"said Sekuru Jerry.

"Inga ndakuudzai wani nyaya yacho


mkoma" said mama.

"Iwe chimbonyarara ndinzwe muzukuru


wangu ndikuda kuziva reason"said
Sekuru Jerry vakarova serious.Mama
vakabva vanyarara zvavo Dean naDaisy
vanga vandidzvokora vachida kuzivawo
reason yacho.
"Ndakanzwa namama kuti Lisa akugara
pamba paGogo Matemba isu atina
hukama naLisa anotsvagei pamba
pagogo vangu ndaida kumuti abve sezvo
tikuda kupagadzirisa iye akaita dzungu
nekamupfana kacho kekushata kaya"
ndakadaro.

"Kekushata kutaura rudzii nhai Mai Hakim


ndizvo zvaunodzidzisa vana izvi, nyaya
yako ndainzwa saka Lisa akangogara
pamba ipapo pasina waataura naye pano
here"said sekuru.
"Sekuru Lisa anga asina kwekuenda
mkoma Hakim ndivo vakati ndimuendese
pamba pagogo"said Dean.

"Usanyepa akadaro rini Hakim pamba


apo tikuda kupagadzirisa ngaatobva Lisa"
ndakadaro, mama vanga vari zii zvavo
vaiita kunga pane zvavaifunga zvataitaura
ndofunga vaisambozvinzwa.

"Pano tichapanana mukana wekutaura


iwewe Davie chimbonyarara"said Sekuru
Jerry.Sekuru Jerry ndivo vaiva first born
kumhuri kwana mama.
"Ko Lisa wacho chii chakaitika ndiudze
pane nyaya Dean"said Sekuru, Dean
akatsanangura zvese zvekudanana
kwangu naLisa nemurambiro
wandakamuita.Kutoti Diva ndiye akabvisa
Lisa humhandara kunga aivepo nhai.

"Ndaibata manje nyaya iyi saka Davie


ndiudze sei wakaita hutsinye
hwakadaro"said Sekuru Jerry.

"Hutsinye hupi zvataurwa naDean


ndezvekunyepa izvo munoona ndiri type
ingaroora Lisa ini manje nelevel
randiri"ndakadaro.
"Level ripi manje raukutaura apa ,iwe mai
Hakim ishuwa here zvikutaurwa apa"

"Jerry kuda kunzi unogona kutonga iri


here siya zvakadaro nyaya iyi
ndakaipedza kudhara andidi kubvunzwa
zvisina basa"said mama.

"Ndaona ndimi muri kufurira mwana mai


Hakim musadaro musaita hutsinye ivai
nerudo nevamwe inzwaiwo tsitsi uyu Lisa
wamunodzikisira muchamuda rimwe gore
iwewe Davie apana level raunotaura
shanda zvakaita Hakim dai ari Hakim
aitaura zvemalevel ndaibvuma not you,
be humble apana chaunacho
chinoshamisira ukuzvinzwa ini handisi
kukutuka asi ndikukuudza chokwadi
chausingaudzwe namai vako"said sekuru
Jerry.

Mashoko asekuru akandibhowa andidi


kunyepa ndakaramba ndakanyarara
hangu.Mama vakabva vachinja nyaya
vakatanga kutaura zvekukura
kwavo.Sekuru avana kuzogara vakaenda
vakati vaida kutanga vaona Lisa asi
avana kumuona.Ameno anga aripi
pamwe ainda kunosimbisirwa mwana
nababa vemimba.Pamba pakasara pari
ziii ndikatanga kubvunza mama vangu
mubvunzo.

"Ko chiii chamakaita zvaitaurwa namai


Natty" ndakabvunza.

"Davie usatevedza zvamai avo


vanonyepa mission yavo vari
kutipesanisa" said mama.

"Mama mukunyepa pane secret iripo apa


sei maramba kupolice kuti vataure
paye"ndakabvunza.

"Handina secret yandinayo


zvamuchanzwa namai ivava
musazvitenda vana vangu" said mama.

Mama vanga vatengerwa mbeu


nefertiliser nasekuru Jerry.Ndakanzwa
zviri nani ndakashaya sei Hakim asinawo
kupa mama mari.Kungoti munhu akaita
mari haungamugoni akakunganwa
kwaakabva nako.Asi mama havana
kumbotaura nezvazvo havo vakaramba
vari zii asi ndakaona zvaivadya pamoyo.
Moyo wangu wanga watova kure
ndakufunga mudiwa wangu
Ropa.Kaweekend kakapera andina
kumboonana naLisa ndakaenda pamba
pagogo ndichida kumuudza kuti abve
pamba apa mune zvakanaka asi andina
kumuona.Ndakabva ndatoenda kwangu
kughetto ndakabva nehupfu muriwo
ndaizoona yekutamba ndava
kughetto.Ndakasvika ndikaisira Ropa
message akauya pamba pangu.

"Uri sei hubby ndanga ndakusuwa" said


Ropa.

"Kana neni ukuita sei hako"

"Apana asi daddy moyo wangu


ukurwadza nenyaya yaLisa ndikuda
kunomuona ini I love my lil sis too much
ndomunzwira tsitsi ini"said Ropa ane
kaface kainzwisa tsitsi.

"Ropa zvakuita sekunga ndiri


kukurambidza kunoona Lisa aiwa asi
nyaya iri apa ndeyekuti ini ndikutya kuti
anokufurira your lil sister ihure nekamwe
kacho kaNoku kaya kari kudanana
nevarume vevanhu"ndakadaro.

"Aaaah asi Lisa naNoku vanga


vakadzikama wani mai vangu vainditsiura
vachitoti itawo saLisa akadzikama,munhu
akamitisa Lisa ndinoti Mwari ave naye"
said Ropa.
Ndakaona kuti tingatoswerera tichitaura
nyaya yaLisa.Ndakasimuka Ropa akaona
step yakachinja gumbo rairwadza
akabvunza kuti chii
chakaitika.Ndakamunyepera ndaisada
kuti Ropa andirambe ndiye munhu
wandanga ndane hope yekuti
ndicharoora.Ropa aivharika anga akaita
kakupusa ndizvo zvimwe
zvandaimudira.Ndaida kurova zvinhu asi
akaramba andina kuita nharo hangu.

"Sei uchida kungorara neni pese nhai


Diva"
"Saka unoda kurara nani manje"

"Diva wakaona ndisiri mhandara but


azvirevi ndiri hure worara neni pawadira
no"said Ropa.

"Kupedza zvese ndokuroora Ropa"


ndakadaro.

Musi uyu Ropa anga akaoma musoro


ameno chii.Akazoenda kumba kwavo
ndikasara ndichifunga kuti ndoita sei
apa.Ndakatanga kufunga mashoko amai
vangu vachiti mai havasi hama yako
usamboita chinhu chovagumbura kana
kuti vofa vane chigumbu newe unoita
rombe rekupedzisira.Vakati roora ndoda
kuona mwana wako ndisati ndafa ndiwe
unonditerera ,Hakim anoisa zvitanda
munzeve achigara nemunhu asingazvare.

*LISA*

Ndanga ndakushanda kutsvaga mari


yepreparation nekuti ndakaona kuti
ndanga ndava pedyo.Hakim dai aindida
angadai akasenda mari yekundipawo
manje ndakaona kuti akandivhara akati
akuuya kugadzirisa nyaya iye kana
kuuya.Mazuva akafamba ndichiita
maricho angu ndainyanya kusakura
hangu ndiwo maricho andaiwana.Rimwe
zuva ndakabva kumaricho zuva richipo
ndikasvikirana naDean achifara
zvisingaite.

"Maiguru muri sei long time nhasi ndine


good news"said Dean.

"Hiiii dzei ndiudzei kani"


Akabva apinza ruoko muhomwe
akabudisa mari akanditambidza anga ari
marands.Mari yanga yakawanda iyoyo
ndakaramba ndakaitarisa ndisati
ndatambira.

"Ko imari yaani yamunondidadira nayo


yabvepi" ndakabvunza.

"Ndeyenyu maiguru yakasendwa


naHakim ndakaitora nezuro pandakaenda
kutown hanzi motenga preparation iye
akati ari busy achazouya" said Dean.
"Hiiiii yese iyo here" ndakadaro
ndichiitambira ndikabuda misodzi
yemufaro.Ndakapfugama pamberi
paDean ndikamutenda iye
akandisimudza.

"Apana need yekupfugama nekutenda


mava kuchemei futi"

"Andisi kuchema muhupenyu hwangu


andisati ndambobata mari yakawanda
kudai neiyi"

"Manje muchatobata yakapfuura ipapo


maiguru"said Dean.

Haana kugara akabva aenda


zvake.Ndakasara ndichijamba jamba
ndichifara apa Hakim anga
azondigonera.Kafoni kangu kanga
kakadzima ndaida kumutenda
chaiko.Ndakaiverenga ndikaona yanga
yakawandisa ndaitenga hembe
dzemwana nedzangu ichitosara
ndakasimuka ndikarova kajaivhi
kemufaro.Ndakabvisa shoma ndikaenda
kunotenga bhurera rangu.Ndikatanga
kurigadzira mari ndanga ndaisa mubag
mangu.
Musi uyu ndaitova pakaparty kangu
ndichitofara.Manheru akasvika
ndatozvimbirwa mazuva aya ndainzwa
nungo kutogeza ameno chii.Kazhinji
kacho ndaiwanza kugeza ndanzwa kuti
ndakunhuhwa ko ndogezera ani ndine
murume here kuri kuzopfimbwa muroad
imomu.

Pamari iyo ndaida kutenga key yekukiya


padoor pangu apa.Ndanga ndatonyora
pasi zvinhu zvese zvandaida
kutenga.Bhiro ndanga
ndinarorandaiwanza kunyora maverses
ebible andinyanya kuda.Kwakaedza
ndikamuka kuenda kwamai Natty ndaida
kuudza Mai Natty good news .Ndakasvika
ndichiona Natty anga aripo ainzi akauya
nezuro manheru ndakafara ndanga
ndamusuwa sahwira hwangu
hwepamoyo.

"Mama ndakatumirwa mari naBamukuru


Hakim" ndakadaro.

"Hakim ndomuziva munhu ane moyo


wakanaka akasiyana nevamwe ava ari
humble dai Mwari vamukomborera aitewo
mwana akaita hake nemari ndafara make
sure woishandisa zvine musoro" said mai
Natty.
"NaDean ndeumwe ari bhoo ari humble
ane moyo wakanaka akabatsirawo Lisa"
said Natty.

"Dean wei Natty nyarara kana usina


zvekutaura handidi nemashoko angu"

"Manje angu mashoko ndoda nawo" said


Natty.

"Haaaa mama murovei Natty anodenha"


ndakadaro ndichiseka.

"Wazvionawo ka" vakadaro mai Natty


vachisimuka kuenda kugarden kwavo
ndikasara naNatty.

"Haaaa Lisa wachinja uri kugeza here


iwewe"

"Ehe ndogeza I know ndakasviba ndiyo


colour yangu"

"Haisiyo colour yako unoziva kudhara


wausina kusviba sezvawaita izvi"said
Natty.

"Ehe Natty ziva ndiri munhu anoshanda


pamwe pacho ndenge ndichiswera ndiri
pazuva"

"Hooo ok zvapera besty ndanga


ndakusuwa ndiudze pane munhu
aifambidzana naDean ndisipo here"

"Apana Dean ndewako wega" ndakadaro


apa ini mamovements aDean
ndaisamaziva hangu.

"Lisa unomboonawo zvandinoona pana


Daisy"
"Unoonei nhai"

"Aaaah haasi mupfana wako here mai


Matemba pane zvakavakaita chete kuti
havana kuhura nababa vako"said natty.

"Aaah iwe Daisy akafanana namama


nesu kwete mudhara ,zvese izvo
ndakazama kuzvibatanidza zvikaramba
kubuda pamwe vanhu vanogona
kungofananawo"

"Haaaa but pane nyaya iwe nezuro baba


vangu vaibvunza nyaya iyoyi kuna mama
kuti zvakambofamba sei" said Natty.

"Vakati mama vako".

"Mama unovaziva wani vakati


andizive,zvikanzi nababa unoti hauzive
imi maitamba mese haaaa
zvakasimudzana nezuro" akadaro Natty
achiseka.

Mai Natty vakadzoka zvavo isu tikabuda


tichitaura nyaya .Natty andinakidza pese
aita zvekuti ndigare ndichiseka.
"Haaa wakadhakwa pfungwa Natty iwewe
haufunge" ndakadaro ndichimuwanzira.

"Pfungwa dzangu dzakafa ndoshandisa


matumbu pa kufunga" said
Natty.Ndakaseka zvekubuda musodzi
zuva iri ndaiva happy happy apana aiziva
kuti ndanga ndiri mupfumi panguva
iyi.Hakim andipfumisa manje vachaona
mwana wangu achachena ndoda
kumutengera zviri mufashion.

"Hona Dean uyo" ndakadaro ndichida


kuvhunditsa Natty.
"Upi kani" akadaro achizvigadzirisa
gadzirisa ndakaseka.

"Haaaa tsek wako Lisa unopenga iwewe


aah"

"Ndikuzviona wamusuwa Dean enda


unomuona pamba pavo"

"Ukuda ndimedzwe nengwena iya iri


pamba pavo" akadaro Natty.

"Ngwena ipi usandityisa"


"Mai Hakim hahahahaha",

"Vamwene vako"ndakadaro.

"Vamwene mupengo manje ini


ndovadzikamisa andiitirwe dzungu chero
mai vangu vanondiziya kuti pfungwa
dzangu dzopisa hadzina kutonhora"

Takasvika parwizi tikambogara


pamatombo tichiona zvedu rimwe girls
raigeza.Natty akabvisa hembe akapinda
mumvura akatanga kudhidha zvake.Ini
nekusada kusarira
ndikateverawo.Takanakihwa zuva iri
tikabuda kuzoenda kumba face
dzacheneruka.Dhuma dhuma naVhunai
aida zvekutaura neni munhu
iyeyu.Ndakabva ndafunga masasi aDaisy
achidissa Vhunai ndakabvaruka neseka
zvakashamisa Natty.Ndakaona
akutosekawo Vhunai ameno akafunga
kuti tikumuseka here ameno ndakaona
aridza tsamwa atorova pasi.

"Iwewe ucharohwa uri kusekei"

"Pandaona Vhunai ndafunga zvakataura


Daisy"
"Akati chii Daisy" akabvunza Natty
ndakamuudza akasekawo.

Taifamba low low tichitaura nyaya


tichiseka taiti tikaona munhu muroad taiti
ndiwe uyu takazosangana namai
Matemba vaina Daisy vakabata paperbag
vaibva kumagirosa.

"Makadiiiko vamwene vangu" ndakadaro


ameno sei ndakadaro pamwe kufarira
mari yandakapihwa naHakim.
"Vamwene vako ini manje"

"Muri vamwene vedu tese ini very soon


ndikuita muroora wenyu ndiri musikana
waDean"said Natty achiseka.

"Vana imi handisi kuda zvemiedzo nemi


handina zera nemi Natty zviroto izvozvo
my son haafe akaroora tsvina yakaita
sewe" vakadaro.

Vakatanga kufamba Natty akasara


akavhura muromo apererwa nemashoko
amai Hakim.Takapesana ndikaenda
kumba kwangu ndakashamisika kuona
door rangu rakavhurika.Door randasiya
ndakavhara razovhuruka sei
nhai.Ndakapinda mumba ndikaona
mashura asina kupfeka.Ndakaona mafuta
hupfu nenyama yangu ndingatoti zvinhu
zvese zvekubikisa zvatorwa.Ndakatarisa
hembe dzakaita kuti warara pasi
ndakatarisa mari hapana ndakapfugama
pasi ndanga ndagumirwa.Ndiani
andibirawo haaa mbudzi yemurombo
yemurombo hairarame.Ndakatanga
kuchema zvekuridza zimhere chairo

_akabira Lisa ndiani_


_ko Ropa akaziva kuti Diva ndiye
akamitisa Lisa achaita sei_

_Ropa naLisa vachasangana here_

Drop macomments enyu


*watch out for chapter 24*
[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*CHAPTER 24*

*LISA*

Ndakarwadziwa kusvika pamoyo


chaipo.Ko ndiani andibirawo mari
yangu.Ndakachema zuva iri zvandisati
ndamboita muhupenyu hwangu nekuti
apa ndanga ndisisina plan.Chikafu
apasisina mari yacho ndoiwanepi apa
maricho acho akunetsa kuwana.Ndiri seni
vamwe vairamba vachiti hatishandise
vakadzi vakazvitakura endai
munozorora.Ndakarara nayo nzara zuva
iri kana simba rekunamata
ndakarishaya.Ndakamuka makuseni
nzara yakandirova ndakambofunga
kuenda kumba kwedu asi ndakaona kuti
naMai Gift chikafu
handipihwe.Ndakaenda kwamai Natty
makuseni iwayo.Ndakasvika
ndichisangana naBaba Natty vaibuda
ameno vaiendepi.Ndakavamhoresa zvine
tsika mukati vakadaira zvavo vakaramba
vakanditarisa.Vakabva vaenderera mberi
nerwendo rwavo.Ndakasvika Natty
achitsvaira chivanze achindiona akauya
pandiri ndikatanga kuchema.
"Lisa my besty ko chiii tell me"said Natty
achiratidza kunzwisa tsitsi kunga aiziva
nyaya yacho.

"Natasha hupenyu hwazondiomera


andisisina pekutangira ndakabirwa mari
yangu nechikafu changu nezuro
ndakarara nenzara"ndakadaro
ndichibudisa misodzi.

"What ndiani akaba iyeye" said mai Natty


vachiuya pandiri vachibuda mumba mavo
vairatidza kuti vanzwa zvatanga
tichitaura.
"Andizive kuti ndiani akandibira mama
andisisina pekutangira mwana wangu
achapfekei hiiiii life is not fair"ndakadaro
misodzi yakubuda.

"Lisa asi padoor pacho hapakiyiwe here


usasachema mwanangu watodzidza
ipapa" vakadaro vachiuya kundipukuta
misodzi yangu.Vakanditora vakapinda
neni mukitchen mavo vakandibikira
porridge ndikadya zvangu kupedza
ndikaisirwa rimwe futi.

"Madyiro ako akanyanya mwanangu


ndizvo zvaiita mai vako vaine nhumbu
yaNoku uchikuzviziva here"

"Aaaah ehe paya mama vaidya ndaifunga


vane matwins ka paye"ndakadaro.

"Kana neni ndaifunga kudaro, waguta


here nditume Natty akubikire sadza"

"Aaah maita basa mama ndaguta ini"


ndakadaro ndichiombera.Mai Natty
vakabuda vakati vari kumboenda
kumunda kwavo.Ndakasara naNatty
ndikamubatsira kugeza mandiro.
"Munhu akaba mari yako ndiMai
Matemba chete mai vaya vaguta
kunyarwa nhasi ngativapedzere
vanozotiona kunga takapusa" said Natty.

"Natasha handifunge ndiwo ini, besty


wakanyarara nhema iwewe une
musikanzwa"

"Lisa andingodi kujairirwa chete Mai


Matemba ndichavagadzika mudish mira
uone hako zvavakaita nezuro
zvakandibhowa paya"
"Haaa siya vakadaro avo Mwari ndiye
achavatonga asi ndikafunga mari yangu
yabiwa moyo unorwadza"

"Sorry Lisa I know zvorwadza


ngatingotambira zviripo usatya tomira
newe"said Natty.

Takapedza kuita basa Natty akanobika


zvake chikafu chemakuseni ini ndanga
ndakaguta nemaziporridge andadya.Mai
vake vakauya vakatanga kudya ini
ndakaramba.
"Uchipedza apa ndoda Natty utore
chibage chiri mumba umo unogaisa
ndechaLisa"said Mai Natty.

"Hiiiii thanks mama Mwari vakurangarirei"


ndakadaro ndapfugama.

"Unopfugamei nhai Lisa simuka uri


mwana wangu hauna kusiyana naNatty,
mari yechigayo Natty tora mucup iya
yesimbi udzoke nechange yangu"

"Okay mama" said Natty.


Akasimuka akanotora saga rechibage riya
akaisa mubhara zvake.Takaenda
kuchigayo tichitaura nyaya naSahwira
wangu.Takasvika tikagaisirwa pakudzoka
taifamba low low zvedu tikasangana
naFadzie aina Vhunai.

"Chenzira uriko haaa mazuvano uri


kusviba kuita kunga tsito kudaro"said
Fadzie

"Chenzira ndiani nhai bbe"akabvunza


Vhunai.
"Uyo wekamimba kasina baba unoziva
Lisa aizviita sista holy kuchikoro achizviita
habvire manje woitamba nhamo hausati
watanga"said Fadzie.

Natasha akanzwa hasha nekutukwa


pangu akaenda pana Fadzie akamurova
mbama.Ndakaona Fadzie aitya Natty
haana kana kumbodzorera kana
kumutuka ndakashaya kuti chiii.

"Natasha wandiroverei asikana


ndaisataura iwewe ndaitaura Lisa uyo"
"Ukatuka Lisa watuka neni usafarisa
wanzwa ndinokusvina matumbu "said
Natty.

"Sorry Natty handichazviite kungoti ini


naLisa hatiwirarane"

"Unorwadziwa naLisa ndiri kuzviona"said


Natty.

"Iwe Tasha usada kutyisidzira musikana


wangu nekuti uri mwana wasabhuku
manje ini apana chandokwata itodzikama
kuti tyooo wanzwa" said Vhunai.
"Ehe ndiri mwana waSabhuku chii
chakurwadza handina nguva yekuswera
kutaura newe enda unogeza mukanwa
muri kunhuhwa" said Natty ndikabva
ndatanga kuseka.Ndaisaziva kuti Natty
ane zvivindi zvakadaro pamwe akutemba
baba vake ameno.Ndakamutora tikaenda
ndakaona kuti aizogumisira arohwa
chete.Takasvika kumba Mai Natty vanga
vachikanga nzungu zvavo.

"Matodzoka makurumidza ko mbuya avo


vakatsamweiko" vakabvunza vachireva
Natty.
"Handina kutsamwa ini asi panzungu apa
monditamba coward dzanga dziripi
ndaidzitsvaga"said Natty.

"Kudzitsvaga kupi wakadiii kutarisa mune


macup muya"

"Manga musina mama munoti andizvizive


munodziviga here"akadaro Natty.

"Haaa zvako handizvitevedzi Lisa huya


ugare apa zvako" vakadaro ndakaenda
kunogara paside navo.

"Lisa inini mari handina dai ndinayo


ndakupa asi usatya ndichaita plan kuti
preparation inga yavapo" said mai
Natty.Mai Natty vanga vane moyo
wakanaka ndakavatenda vakati
usanditenda hako.

"Lisa ini namai vako taive tiri very close


asi ndine nyaya yandaida kukuudza
yavakasiya vandiudza but nezvauri izvi
hazviite"

"Aaah ndiudzei mama azvina basa"

"Kwete izvozvi ndakudziisira mvura iyo


enda unogeza Lisa" vakadaro Mai Natty.
Ndakapihwa towel naNatty ndikaenda
kunogeza zvangu ndikadzoka ndava fresh
ndava kufurwa nemhepo.Vakandipa
mafuta zvese zvekubikisa tikaenda nazvo
kumba naNatty.Nyaya yanga yasara
kutsvaga makey.Daisy kakabva
kasvikawo kakapfeka rimwe dress ranga
rakanaka raishepa muviri wake.

"Wow nhasi wakachena asi uri kubva


kutaundi here" ndakadaro.

"Ko Dean aripi" said Natty.


"Aiwa ndanga ndiripo pamba apo ndabva
kuchikoro manje manje Dean aripo uyo
ameno zvaari kunyora nyora"said Daisy.

"Hooo okay saka wati toita sei nenyaya


yekey Lisa" said Natty.

"Ameno aaaah"

"Key yei iyoyo"said Daisy.

"Yekukiya padoor apa kuitira


mbavha"said Natty.

"Oooh mirai ndinotsvaga kumba kwedu


pane dziriko dzisingashande"

"Mhanya unotora Daisy ukabvunzwa unoti


watumwa neni"said Natty achiseka.Daisy
kacho kakabva katanga kumhanya
kakabva kadonha.Kakabva kasimuka
kakatanga kufamba.

"Haaaa iwe ini zvinhu zvamai Matemba


andizvide wamutumirei"
"Haaaa hauzvide sei iwe une vazukuru
vavo mudumbu siya zviuye ndiwo
mabenefits acho hatina kuba asi tapihwa
natete vako ava Daisy"

Ndakabva nyarara zvangu Daisy


akadzoka nekey yacho ndakafara
ndakamutenda nerudo rwake.Andina
kuda kumuudza zvekubirwa ndaitya
anozoudza Dean naHakim vakazoti ndiri
careless.

"Aaah saka ishuwa zvaitaurwa namama


kuti mune nhumbu yaVhunai" said Daisy
akabata chimwe chinhu chaanga anacho
chaita kunga chitupa.

"Daisy wakufarisa manje ini ndokurova


mkoma wako vakamitisa Lisa iwe wakuti
bwunai bwunai kudiiii get out" said Natty
anga atotsamwa.

"Haaa ndikubvunza ndanonga chitupa ichi


apa chiri kutsvagei muno kureva kuti
vanodanana ka" said Daisy.Natty akatora
chitupa chiya akachiona akavhura ziso
akanditarisa kana ini zvakandishamisa
kuti chapinda sei muno.

"Chitupa ichi chapinda sei muno hausiwe


wauya nacho here Daisy"akabvunza
Natty.

"Kuuya nacho kubvepi ndochidiii chitupa


chemunhu ane face yakawira kunga
bhora rerugby"

"Aaaaaaaah Lisa munhu uyu ndiye


akubira chete hakuna umwe adonhesa
chitupa muno paanga achiba"said Natty

"Ehee nhai Mwari ko Vhunai


ndakamutadzirei manje mari yangu
ndikuida"
"Anyura uyu paya andiitira dzungu iwewe
Lisa wouya kumba kwedu manheru
nechitupa ichi wotaurira baba vangu
nyaya yako yese "said Natty.

Natty akafara zvisingaite aida Vhunai


anyure.Daisy aishaya kuti zvaienda
nekupi tikamuudza nyaya yacho
ndakaona aisazivawo kuti ndakatumirwa
mari naHakim.

"Saka makatumirwa namari namkoma


Hakim yeeee ndafara asi mama nezuro
vakatuka mkoma hakim kuti sei vasina
kuvatumirawo mari,mama vakapihwa mari
nasekuru"said Daisy.

"Ngavazvininipise vakaita dzungu


havaipihwe mari iyo zvachose vanowanza
dzungu mai vako"said Natty.

"Natty usadaro chimbomira izvozvo"

Daisy hakana kugarisa kakabva kaenda


tikasara tichiita nyaya
naTasha.Kwakasviba tikaenda kumba
kwavo ndikasvika baba vake vavapo
ndakataura nyaya iya yese.Ndivo
vandakasiira chitupa.

"Iyeyu Vhunai anenge ndiye ari kubira


vamwe muno mazuva apera aya
ndakanzwa mbuya Majokota vakabirwa
masolar avo"said baba Natty.

"Ndiye anofana kudzosa zvose zvakaba


kuvanhu vakabira kana kuti odzingwa
muno atingagare nevanhu vakadaro"said
Mai Natty.

"Okay saka Lisa uri kugara nani uko" said


baba Natty.
"Anogara ega uyu" said Natty.

"Nestate yaari iyi haafane kugara ega


kutanga nhasi Natty uchange
uchimbogara naLisa ndinzwe mafurirana
zvisina basa ikoko"said baba Natty.Natty
akafara kani zvekujamba mudenga even
mai vake.Takapihwa chimukuyu
chekunobika tikaenda
naNatty.Ndaitonzwa kufara kuti atleast
ndinewo vanhu vari kuside kwangu.

"Baba vangu apa vafungawo semunhu


mukuru ndafara ndanewo nguva
yekuonana naDean wangu yeee"

"Aaaah iwewe unopenga asi please


usarara naye ukarara naye ukaita
nhumbu ndini ndopihwa mhosva"
ndakadaro.

"Akazama zvese Dean akanditadza


haadye muriwo uyu zvekudaro"

"Haaa unopenga pauchabatirwa uchati


eke"ndakadaro.
Takaisa chimukuyu pamoto tikatanga
kuchikwatisa kusvika chaibva tikabika
nesadza racho rakawanda taidya mundiro
imwe chete nabesty wangu.Akaguta
akasiya ndichidya ndega akaseka
zvikanzi wabreaker record yaani woye
yekudya ndaimbozviisa mumusoro
here.Tapedza kudya takatanga kutaura
nyaya kusvika hope dzibate.

"Muka Lisa hatirare tisina kunamata"said


Natty.Takarova kashort prayer tikarara
zvedu.Makuseni Natty akamukira kuenda
kumba kwavo kunobatsira mai vake kuita
mabasa epamba nezvimwe.
"Lisa buda panze now" said Mai Matemba
ndakashaya kuti vaidei vasvika
nguvai.Ndakabuda mumba ndikaona
varamba vakanditarisa.

"Mamuka sei mama" ndakadaro.

"Mama vako ini here, ndauya kutaura


newe nyaya yepamba pano ndoda ubve
takuda kupagadzira I hope manheru
unenge wabuda"said Mai Matemba.

"Handina kwekuenda dai mandisiyawo


please"

"Kukusiya kuti ndakakubata


here,ndakataura naHakim futi akati ubve
pano utsvage kwako kwekugara"said Mai
Matemba.

"Okay kana zvakadaro ndobva hangu"


ndakadaro andina kuda kuchema pamberi
pavo.

Vakatanga kufamba ndikaona


vamira.Vakatanga kudzokera kumashure
vachiita kunga pane
chavaiona.Ndakanzwa vakudaidzira
nyoka nyoka vachimhanya kuuya
kwandiri.
"Nda...nda. nda o o o naa nyoo ka aa aa
po zihombe hiii"said mai Matemba
vachitadza kunyatsa kutaura mkadzi uyu
waitoona wega kuti mkadzi mkuru ari
kutya vanga vamira kumashure
kwangu.Ipo pasame spot pavamboona
futi nyoka ndipo pavaiona.Ndakaita
kudongerera ndichiti pamwe ndichaiona
asi handina.

Ndakafunga kuti pamwe yatiza


ndakatanga kutya neniwo kuti ndikugara
nenyoka apa ndisingaioni.Mai Matemba
vanga vagara padoor pangu vakabata
shaya vachiita kunga vaifunga.Vakapedza
nguva varipo ini ndakazvibikira ndikadya
vakatarisa sadza nechimukuyu chakasara
zuro manheru.Vaifunga ndinodya
nemasango everyday ava.Vakasimuka
vakatora imwe nzira yekutenderera
ndikaona mkadzi mukuru achidzoka
akaguma paimhanyiwa imi zvekuti Usain
Bolt kana Lee vanozviti vanomhanya
vaisara zuva iri.Vakasvika kupinda
mumba ini nekutya ndakapindawo
mumba ndikavhara door.

"Iwe pano pane nyoka haaa gara hako


handichadi kupagadzirisa gara hako pava
pako hiiii handichafe ndakatsika futi
pano"said Mai Matemba.Ndakavhura
kuita kudongorera ndikaona pasina
chinhu.Ndakabuda ivo mai Matemba
vanga vakutofonera Dean kuti auye
nemota avatore.Dean wacho akati mota
iri kuramba kumuka.Kwakasvika
pakusviba Natty akauya akashamisika
kuona Mai Matemba vanga vakunzwisa
tsitsi.Ndakatora bible rangu ndikabata
ndikati ndikuperekedzei apana zvoitika
kana ndakabata bible.Takafamba
zvakanaka tikavasiya pagate pavo.

"Haaa ndazokubata inyoka dzako idzo uri


muroyi waida kundiurayisa manje
wadzva"said Mai Matemba vachireva ini.

"Mai imi taita effort kukuperekedzai


makutaura matsvina akadai go to hell
nxaaa"said Natty.Mai Matemba vakarova
Natty mbama akadonha pasi vakabva
vavhara door rapagate pavo vakakiya
mukati.Natty akatanga kutora matombo
achikanda mukati achitema imba yamai
Matemba.Ndakaedza kumudzora anga
atsamwa nezvaitwa namai Hakim.Dean
akabuda akatsamwa akasvika kutuka
Natty.

"Ndohunhu rudzii urwu hee mawindow


awapwanya mumba ndikati matenge
unomatenga here sei uchiita hunhu
hwakaora iwewe"said Dean.
"Iwe itodzikama kana usingazive
patangira nyaya nyarara hapana
chandotenga wanzwa nxaaa stupid
yemunhu"said Natty.

_natty naDean apo zviri right here_


*watch out for chapter 25*
[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*CHAPTER 25*

*LISA*

Ndanga ndisati ndamboona Dean


akatsamwa semusi uyu.Ndakaona kuti
Natty anga abhaiza pakukanda matombo
mumba mana Dean.

"Natasha dai uri umwe watodzikama


dzungu ndorinei zvawaita apa andina
kuzvifarira" said Dean.

"Tarisa maside ese taperekedza mai vako


vakasvika kutaura tsvina pano vasiya
vandirova zvekuti nzveve yangu
ikurwadza"said Natty.

"Wadiii kungosiyana nazvo ita saLisa uyu


akamborohwa wani akasiyana nazvo I
know moms vangu vane problem asi
andide ukwikwidzane navo"

Ndakatsika Natty kuti anyarare akabva


anyarara zvake.Dean akapinda mugate
make isu tikaenda kwedu asi Natty anga
akatsamwa.
"Asi zviri fair izvi here Lisa"

"Natasha zvagara life haisi fair zvimwe


ingosiyana nazvo ngazvikupfuure inga
unonamata wani"ndakadaro.

"Ndazvinzwa Lisa asi mai Matemba ka


Mwari ave navo"

Takabva tarara zvedu naNatty makuseni


akadzoka kumba kwavo.Ndakasara
ndakarara ndikazomuka zuva ratobuda
ndichidya munya wanga wakasara zuro
manheru.Ndichipedza kudya ndakaona
Natty auya kundidaidza achiti ndiri kudiwa
kutokanganwa kuti ndipo pari kutongwa
nyaya yaVhunai.Takaenda kudare
kwacho kwanga kwatozara.Ndakaona Mai
Gift vanga varipowo pachaunga vakabata
kamwana kavo.Ndakanogara zvangu pasi
Vhunai anga akanditarisa nerimwe ziso
rinotyisa.Kana ari saFadzie aitoita kunga
achandirova.Nyaya yakatanga kutongwa.

"Kana uchiti hausiwe wakaba chitupa


chako ichi chaitsvagei mumba
maLisa"said Ba Natty.
"Ipapo andizive kuti zvakafamba sei kuti
chiwanikwe mumba maLisa nekuti musi
waataura kuti akabirwa ndaitova
kumagirosa naFadzie uyu"said Vhunai.

"Lisa uyu agara atori neproblem akadya


mari akuda kunyepa kuti abirwa"said
Fadzie.

"Ko iwe chisikana wanzi utaure nani


nguva yako yekutaura ichasvika
chimbonyarara"said Ba Natty.Noku
akabva asvikawo ameno akabva
kuchikoro nguvai akasvika kugara pedyo
neni.
"Hooo wati musi wakabiwa mari waiva
kumagirosa here"

"Ehe ndiko kwandanga ndiri


naFadzie"said Vhunai.

"Usanyepa Vhunai zuva iroro wakauya


kuchikoro kwedu ukatanga kundinetsa
uchindipfimba ukati ukandida unondipa
mari ukabudisa mari yakawanda ari
marands"said Noku.

"Futseki Noku usataure zvausingazive


unoona Vhunai iri type inopfimba vanhu
vakaita semi here" said Fadzie.
Sabhuku vakatonga nyaya zviri fair
zvekuti Vhunai akagumisira abvuma
mushure mekunga achityisidzirwa
naSabhuku.Akanzi adzose zvose
zvakabira vanhu ndikukupa week.Vakati
wapa vanhu vese zvinhu zvavo
ndichaona kuti wogara here or wobva
muno.

Takapesana kuenda kudzimba


kwedu.Ndakasvika kumba ndikarara
zvangu pasina nguva ndakaona Vhunai
asvika akandipa mari yangu marands
akati imwe yacho anga aishandisa ari
kuuya nayo mangwana.

"Remember wakaba nenyama yangu


ndikuida zvese ana upfu nemafuta
ukasandipa
ndonotaura"ndakadaro.Haana kupindura
akaenda zvake mari yangu ndikatoisa
mubraa mangu.Ndakaenda kwamai Natty.

"Mama ndichengetereiwo mari yangu iyi"

"Woooow yakawanda kudai asi yadzoka


here"said mai Natty.
"Yanga yakawanda kupfuura apa imwe
yacho ari kuuya nayo"

"Okay mwanangu waita zvakanaka


wauya nayo,Vhunai harinyare anofana
kubva muno kupfimba Noku nezera rake
riya haaa takutya anoti kanganisira vana
vedu vechidiki ava"said Mai Natty.

"Ngaabve ko sis Natty vaendepi"

"Ari kugeza ko uri kunamata


here"vakabvunza Mai Natty.
"Ehe mama ndiri kunamata nezuro mai
Matemba vakauya vachindidzinga"

"Hezvoo zigadzi riya ka harikure nei ko


zvakafamba sei"

"Ameno vari kuona nyoka dzavo vega"

"Nyoka kubva rini vachidziona asi pane


zvavakaita here ndakambonzwa kuti
vakangosvika pamba ipapo vanobva
vachimhanya vamwe vaiti zvipoko asi
pandakaona iwe wakugara ipapo apana
zvakaitika zvoreva kuti Mai Matemba
vanofana kureurira zvavakaita nguva iripo
vakasadaro vachaona chisingaonekwi
chete"vakadaro Mai Natty.

"Hezvo ko pane nyaya apa"

Natty akapedza kugeza tikabva tabuda


tese kuenda kunoona Noku
kumba.Takasvika aripo achigeza hembe
dzaGift.

"Mai Gift vaendepi Noku zvauri wega"

"Vabva kubuda izvozvi vaenda


kumagirosa uko kunotenga nyama" said
Noku.

"Havasi kukunetsa here Noku"


ndakabvunza.

"Mazuvano ndava kunyarara ndongoita


basa ndiri ziii havachanetsi havo"

Hatina kugarisa takabva taenda kumba


kwaMai Matemba ameno chivindi
chakaita kuti tiende ikoko.Takasvika
tikanoka tikanzi pindai
naDaisy.Takapinzwa mudinning manga
makanaka nemasofa acho vaiita kunga
vari kutown ivo vari paruzevha.Ndakaona
vavhura ziso vakanditarisa.

"Daisy unorwara here unopinza vanhu


ava kuti zvidii" said Mai Matemba.

"Aaah sorry mama"

"Muri kudei vana imi muri kuona


zvamakaita window rangu iri ndikati
tengai mune mari yacho here pamwe
pacho itaiwo sevana vakarairwa" said Mai
Matemba.
"Sorry mama ini andina kuuya kuita noise
sorry nezvakaitika nezuro manheru"
ndakadaro.

"Kungoti masvika ndichizvifarira hangu


mwana wangu Davie akuda kuroora very
soon ndichakukokai kumuchato
akazviwanira musikana wakanaka vari
kuuya vese paweekend"said Mai
Matemba.

"Wow inga zvakanaka zvofadza izvi"


ndakadaro hangu asi kutaura chokwadi
zvakandirwadza ndaisada kuzviratidza
pamberi pavo.

"Paweekend mozouya kuona muroora


wangu munyowani mazvinzwa here"said
mai Matemba.

Kutaura chokwadi ndakatanga


kurwadziwa zvakaita ndibude ndisina
kutaura ndikatanga kuyeredza misodzi
ndakunze kwegate.Diva ndaimuda
kutoroora umwe musikana ini
ndakatakura mwana wake.Ndaiti zvimwe
achachinjawo hunhu hwake tikachengeta
tese mwana wedu.Ndakutoona kuti
mwana uyu ndichamuchengeta
ndega.Natty naDaisy vakatevera
vakandiona ndava kutoenda.Daisy
akamhanya kundibata
akandimbundira.Takamboita kanguva
takadaro tikaregedzana.Ndikaona Daisy
aitochemawo sezvandaiita.

"Sis Lisa munoziva ameno chiii moyo


wangu unorwadza kuona
muchishungurudzika kudai please
musanyanya kufungisisa everything will
be okay" said Daisy.

"Okay Daisy thanks nemashoko ako" i


said.Daisy akabva adzoka mumba mavo.
Natty akabudisa foni yake tikatanga
kutamba kagame kaya kesnake Xenzia
takagara pasi peumwe muti.

*DIVA*

Ropa anga ane mamoods aibhowa


zvekuti sex neni anga akuramba achiti
love is not about sex.Ndakagumisira
ndakurara nemahure ekubhawa
kwangu.Life yanga yakufaya ndakashaya
kuti sei Ropa asina kubata pamuviri
pangu asi ainwa mapills pandairara naye
kani. Saka handizvare zveshuwa
zvakatanga kundidya moyo ndakusvitsa
26years ndisina mwana here ndosvika
pakufa.Ndakatanga kuona kuti mimba ina
Lisa haisi yangu nekuti andizvare.

"Ko hindava kuti ziii mazuvano chiii chiri


kumbonetsa sahwira"said Donny.

"Haaa life is not fair bro"

"Wakuzviona ka ndosaka ndaiti handei


kuchurch paya uchiramba"
"Ko zvekuchurch zvapinda papi nhai"

Donny haana kupindura akabva aenda


kubasa kwaanga achidiwa ndikasara
ndakagara zvangu.Mama vakafona
vachiti ndimbouya naRopa
paweekend.Ndanga ndisisina basa nazvo
chero vakaonana naLisa ko chiii chotyisa
kuti inhumbu yangu here.Ndakachaisa
masikati yanga iri Friday ndikaenda
kumba.Ndakafonera Ropa ndikamuti auye
akauya.
"Mazuvano hauchadi kusvika pano
hindava"

"Iwe hanty unenge uri kubasa here Diva"


said Ropa.

"Ndoda kuenda kumusha newe mai


vangu vati ndimbouya newe" ndakadaro.

"Hiiiiiii ndoda ini ndobva ndaona vapfana


vangu Lisa naNoku mira ndinoudza
mama vangu ndozodzoka after
2weeks"said Ropa achifara.Ndaisada
kumbovapa time vese naLisa ndaiziva
aizoudzwa zvimwe zvekunyepa
ndikaswera ndarambwa.Akabuda
akaenda kumba akamboita 2hours asati
adzoka.Akadzoka aine bag akachena
akaisa mumota mangu.

Ndakarova mota takananga kumusha


tikasvika Ropa akasvika achibvunza
zvaLisa zvakandibhowa.Akati akuda
kunorara kumba kwana Lisa
ndakamurambidza akabva adzikama
zvake.Namama zvakafarirana kwete
zvekutamba.

"Muroora wangu ndafara kuti wabvuma


kuuya kundiona"said Mama.

"Aah mama ndanga ndagara ndichida


kuuya Diva airamba ane hutsinye"
akadaro Ropa.

"Davie ka unoda kurohwa ko Daisy


naDean varipi vauye kuona muroora
wangu"

"Mama mukubvunza inini here hahaha


ndingatobvunza imimi mogara
navo"ndakadaro.

Ndakasiya mama naRopa ndikambobuda


kufamba zvangu ndichifurwa
nemhepo.Ndakadzoka kumba manheru
chaiwo ndikasvika vanhu vachidya.Ropa
anga akagara pedyo namama vanga
vawirirana.

"Ko uri kubvepi manheru ano" said Mama.

"Haaa ndanga ndaenda kumunda


kunoona zvangu kuti zvakamera here"

"Tete Daisy vakanyarara zvisingaite


havanyanye kutaura saDavie" said Ropa.

"Haumuzive Daisy uyu ndiye anotaurisa


pano" said mama.
"Ahhh asi akafanana naNoku
zvisingaite"said Ropa.

"Ropa mangwana makuseni ndoda


kuenda newe kugarden unoona
macarrots angu" ndakadaro ndaida
kuvhara nyaya yaNoku nekuti aizogona
kutaura zvaLisa apa.

Paifarwa pamba apa asi Daisy naDean


vanga vari zii ndakagara ndavaona kuti
avana kubvira vafarira musikana
wangu.Mangwana kuchiedza Ropa
akamukira akaita basa rese zvekuti mama
vakamuka apedza vakafara
nazvo.Ndakashamisika kuti Ropa
anoshandawo kudai ndaiti musalad.

Ndakabuda naRopa tikaenda kumba


kwana Lisa tikasvika pasina munhu
ndakafara.Takadzoka tikaenda zvedu
kugarden nebbe rangu.

"Ko vana Lisa vari kupi"

"Aaah handizive pamwe ari kumurume


wake ,uyu Noku haagari pasi"
"Hoooo handisi kuzvitenda zvauri kutaura
ini" said Ropa.

"Saka ukuti ndiri kukunyepera here"

"Ehe ukundinyepera ameno matauriro


ako unoita kunga wakavenga Lisa
naNoku"

"Handina kuvavenga ini but ndakavenga


zviito zvavo"

"Ndazvinzwa ko ndichadzoka ndoda


kumbonoona Natasha"said
Ropa.Ndakashaya kuti anomuzivira kupi
Natasha ndakarohwa nehana.

"Unomuzivira kupi Natasha"

"Ndakambouya kuno kudhara ndichiri ne7


years ndakadzidza kuno grade 2
ndichigara namaiguru mai Lisa uyu
Natasha taienda tese kuchikoro naLisa
futi"akadaro ndakabva ndarangarira
madays acho.Ndaisamboziva kuti
ndiRopa saka vanhu vanochinja ari
mudiki madays acho ndiwo mama vangu
pavainyanya kugara Htown kwaishanda
baba vangu.Saka Ropa vaisamuziva
vaingoziva mai vake chete.

"Hooo okay ndapanzwa hangu" ndanga


ndakutya kuti akaonana naLisa naNatty
ndaigona kupinda ma1 ndaifana kuita
plan yekudzoka vasati vaonana.

Ndakatora Ropa tikatanga kufamba zvedu


tichidzoka kurwizi tikanogara pane
mamwe matombo ataiwanza kugara
naLisa tichiri murudo.Takava nenguva
yakanaka naRopa ndaimuudza nyambo
tichiseka
tichimbomhanyisana.Takazoenda kumba
ava kuti ane nzara akasvika kudya hake
aisadyisa.
"Tete daisy sei musingandidi"

"Ndoda kukuitai sei nhai diwai naDavie


uyu"said Daisy.Mama vanga vasipo
ameno kwavanga vabuda vachienda.

"Sorry kana ndatadza kubvunza asi ini


ndokudai hangu" said Ropa.

Daisy kakarolla maziso kakabva kabuda


ameno kwakaendwa.Ropa akasara akuda
kuchema hanzi Dean naDaisy havandide
ndakamusimbisa zvangu.

Mama vakabva vauya zvavo vakabata


paperbag rakazara mabanana vakapa
Ropa.Ropa wacho akafara ndipo
pandakaona Daisy achipinda pagate aina
Natty naLisa.Ropa achiona Lisa akatanga
kubuda misodzi
akanomumbundira.Ndakaona mama
vanga vari ziii vachiona zvaitora nzvimbo.

"Natty naLisa uyu anonzi Ropafadzo


ndiye muroora wangu mkadzi waDavie"
said mama.
"Mama I'm happy kuti ndawana my lil sis
Lisa,ko Lisa ndiani akakudai munhu iyeye
ndikamuziva oooh naMwari ndopinda
mujeri ndamuuraya" akadaro Ropa.

"What iwe Ropa uri mwana wemunin'ina


waMai Lisa here"

"Mai Lisa vanga vari maiguru vangu inga


Diva anozviziva wani"said Ropa.

"Oooh shit" said mama vakavhura ziso.


Daisy akatanga kuseka akatarisa
mama.Ndakatoshaya kuti chii chaisekesa
apa.Mama vanga vabata musoro
kuratidza semunhu apererwa.Ropa anga
ava busy kutaura naLisa anga
akuyeredza musodzi akanditarisa.

_ko Ropa achaitambira here kana


akudzwa kuti Davie ndiye akamitisa lisa_

Taurai mafungiro enyu


*Watch out for chapter 26*
[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*CHAPTER 26*

*LISA*

Ndichiona Ropa moyo wangu wakafara


asi pandakazofunga kuti ndiye ari kuda
kuroorwa naDiva moyo
wakarwadza.Ropa akafara kundiona
ndakaona apana chaizivawo panyaya
yangu.Ndakatanga kubudisa musodzi
ndakatarisa Diva.Mai Matemba
pavakanzwa zvekuti Ropa ndisis vangu
vakapera simba ndakaona vabata
musoro.

"Chinyarara Lisa ini ndatouya ko Noku


aripi"said Lisa.

"Ari kuchikoro uyo"

"Hooo aaaah Natasha hesi long time sei


pano vanhu vasiri kufara kuita kunga
pafiwa"said Ropa.
"Ndakasimba marovera kutown kwenyu
amuchadi kutsika kuno"said Natty.

"Haaa ndaida kuuya ini Davie


aindirambidza ndiye akuda
kundiroora"said Ropa.

"Hahahahaha you are not serious


Ropa"akadaro Natty achiseka
achirovanisa maoko ake.

"Natasha naLisa ndokumbirawo mubude


muno now"said Diva.Apana
chandakataura ndakatanga kufamba
kubuda Ropa akandibata ruoko.Mai
Matemba vanga vagara pasi vakabata
shaya vakaita kusticker vakatarisa
panzvimbo one kunga pane chavaiona.

"Haudzinge vanhu vangu like that


wanzwa here, ko Natty watiii unenge une
nyaya"said Ropa.

"Davie wako akamitisa Lisa apedza


akamuramba zvinorwadza now Lisa
akutambura because of him nechimai
chake ichi ndivo vamwe vanogara
vakatuka Lisa"said Natty.Natasha
akataura zvakawanda Mai Matemba
vakasimuka pavanga vakagara vakarova
Natty mbama.Daisy ndiye akabata mai
vake vanga vakupopota Ropa anga ari zii
akatarisa Davie nerimwe ziso risina
kumira fine.Mai Matemba vakapinzwa
mumba nemwana wavo Daisy waitoona
kuti pane zvavabata bata.

"Ropa usanyeperwe nemapenzi aya Natty


ndakazviona anga agara achindida kubva
kare saka akuda kutiparadzanisa nhumbu
ina Lisa inga wani ndakakuudza kuti
ndeya Vhunai" said Diva ndakavhura ziso
zvekushamiswa nemashoko ake.

"Mkoma Diva ko mukataura chokwadi


munobvei inzwa hako Ropa mimba ina
Lisa ndeya mkoma vangu ava"said Daisy.
"Sis Ropa ini andisi kuda pakuparadza
relationship yenyu asi zvikutaurwa
nevanhu ava ichokwadi Diva ndiye
akandibvisa humhandara zvaVhunai
ndimai vake vakafrema nyaya pavandiona
ndichifamba naVhunai kubva kubasa
kwandaiforoma zvidhinha,mai vake vakati
ndiri tsvina ndosemesa andina kukodzera
kuita muroora wavo apa ndotenda Dean
akandibatsira ndisingakanganwe Hakim
akasenda mari inova yandiri kuda
kutenga zvinhu zvemwana"ndakadaro
misodzi yava kuyerera ndakataura
neshungu ndanga ndaona kuti Diva
akuenderera.Ropa akatanga kundipukuta
misodzi iye achichema.
"Davie ndakagara ndazviona kuti
wakavenga Lisa uchindinyepera kuti
mahure manje chokwadi chabuda zvangu
newe zvaperera pano uri satan chaiye
namai vako nxaaaa" said Ropa achienda
pana Davie akamurova mbama.

"Ndotenda Mwari ndakazvidzivirira dai


ndanga ndine pamuviri pako ndaita sei,
you are useless Diva hauna skiri
wanzwa"said Ropa achinongedza Diva.

"Ropa saka watobvuma zvataura vanhu


ava here nzwisisa mhani"
"Go to hell usandiona kunga grade 1
wanzwa wakarara nelil sis yangu worara
neni futi kutiitisa manje kuti vanhu
vazofunga tiri mahure"said Ropa.

"Ropa usada kukwidza hasha dzangu


wanzwa dzikama ehe uri hure wakanzi
inwa mapill nani heee watondibhowa
so"said Diva.

"Ini hure manje nhasi unondiona ndinofa


newe nhasi" said Ropa achijambira Diva
vakadonha vese.Ropa anga ari pamusoro
paDiva achiedza kumurova.Murume
murume Ropa akabatwa huro naDiva
ndichiona zvadai andina kuramba
ndakatarisa ndakanobata Diva chinhu
chake ndikatanga kuchidhonza.Ndakaona
asiya Lisa munhu ava kubowa
nemarwadzo.

"Lisa unondiuraya kani ndisiye"said Diva.

"Uri kuita nharo here"ndakadaro


ndakaona Natty akutanga kuseka.Daisy
kanga kakamira pavaranda kakatarisa
ndakabata yonini yamkoma.

"Lisa ndiregedzewo unondiuraya kani"

"Chidambura Lisa akajaidzwa mufesi uyu"


said Ropa.

"Ndikuda utaure chokwadi ndiko kuti


ndikusiye"ndakadaro ndakaona mai
Matemba vabuda vakabata mugoti wavo
ndakasiya Diva.Vakatanga kuuya
kwandiri vakasunga face.Handina kutiza
ndakaramba ndakamira.

"Get out ndisati ndakabvisa kamira aka"


said mai matemba.

"Lisa ramba wakamira hapana


zvavanokuita vakakurova vanofira
mujeri"said Mai Matemba.Mai Matemba
vakapinda mumba vakabata mabag
aRopa vakamakanda panze.

" Ropa ndatozviona kuti uri hure une


hunhu hwakafumuka pano hatiite izvozvo
get out mese"said mai matemba.

"Mai imi pandakunyarai pakwana


wamunoti hure ndiani hee apa munoti
kunyangara kunga......"akabva akatwa
Ropa asati apedza kutaura naDiva.

"Iwewe ndiwe hure ukutaurwa


ndakakuona usiri virgin uri churu
chakapinda nyoka nxaaa haushamisire
vasikana vakawanda ndichawana mumwe
wekuroora akanaka kupfuura iwewe
chimupanzi"said Diva.Diva ndiwo
magariro haagoti kutaura anotaura
mamwe mashoko anorwadza.Ndakaona
Ropa akubudisa musodzi mashoko aya
aka murwadza.

"Mkoma Davie before talking, please


please please connect the tongue to the
brain"said Daisy.Natty akaseka
nezvakataurwa naDaisy.Ndakaona kuti
kukunda muedzo kubva pamba
pavo.Ndakabata maoko asis Ropa
ndikabuda navo Natty
akateverawo.Ndakaenda naye kumba
kwababa vangu takasvika Noku aripo
namai Gift.Noku achiona Ropa
akamumhanyira achifara.Mai Gift
ndakaona vakatanga kumudhura
ndakaona zviri nani ndiende kunogara
nasis vangu kumba kwangu.Pamba apa
zvaida baba varipo.Takaenda tiri 4
naNoku tikasvika.Ropa akarwadziwa
achiona pamba pandinogara zvapakaita.

"Haaa mai Matemba naDiva varoyi chaivo


ndabvuma ini"said Ropa.

"Haaa type yana mai Matemba ndiyo


inosunga dhuku ichida kutaura
nemukuwasha pafoni" said Noku
achiseka.Zvaiita Noku naDaisy zvanga
zvakafanana vafana vaindinakidza ivava
chero havo vasingawirirane.

"Haaa ndiyo type inoita nharo nyaya isati


yataurwa" akadaro Natty achitsigira
Noku.Takatanga kuseka kukanganwa kuti
pabva kumboitika drama.

"Haaa iwe manje Diva anodzora volume


yeradio achida kusender
message"akadaro Noku imi ndakaita
kunga ndichafa nekuseka.

"Mupfana unombozvionepi zvaunotaura


haaa unonakidza waita timbokanganwa
nyaya yabva kuitika iyi"said Ropa.Natty
akati akuenda aizouya manheru
zvake.Akaenda ndikasara nasis vangu
nekamupfana kangu.Ropa anga
akandikurira negore chete.

Ropa akatanga kutaura madananiro


akaita naDavie zvese nekuzorara
kwakaita naye.Ndakamuudzawo zvangu
zvese apana chandakasiya.Takaswera
takufara zvedu nasis vangu
naNoku.Manheru akasvika Noku akaenda
kumba ini ndikabika nasis vangu
tikadya.Ndidzo time dzakasvika Natty
tikatanga kutaura nyaya ,Natty nyaya
dzake aingowanzira mai Matemba.Hanzi
vanospreya perfume vachida kutorwa
mapikicha.Kuchiedza makuseni Natty
akaenda ndikasara naRopa.Yanga yava
Sunday taida kuenda kuchurch.Takageza
zvedu pakuti ndisarudze hembe
dzekupfeka kwakuona yandaida
yakadyiwa negonzo
ndakabhoekana.Ndakazotora imwe
yandanga ndisingadi kupfeka.Tikaenda
kuchurch ndakashamisika kuona mai
Matemba varimo vakatogara kumberi.Mai
Pastor ndivo vakaparidza shoko
rakanakidza.Vakaparidza nyaya
yegodo.Godo chinhu chakashata chaizvo.

Godo haridikanwi naMwari.Godo chinhu


chakaipa fani.Godo rinokupa mweya
wekusapemberera agona.Nekuda kwe
godo vamwe vanorovha kumichato
yevamwe.Nekuda kwegodo vamwe
vanedzimba dzavasingaende kuminamato
nekuti kwakatengwa Motokari itsva,iye
asina.

Godo rinoita kuti urambe lift yemutendi,


kunzi pindai mu mota tiende kuchechi iwe
woti, "its fyn thank you but regai ndimbo
exerciser,'' iko kuri kurwadziwa kuti sei iye
ariye anofanira kungotikwidza.Godo
rinokuita kuti usafarire kurumbidzwa
kwemumwe.

Nekuda kwe godo unokokwa


kugraduation party ye mumwe munhu
wofeka kurwara.Godo rinokuita kuti
urovhe muchato wawakokwa uchiti dai
wanga uriiwe wachata.Godo rinoita kuti
uvengere munhu chipo chake chausina
futi iwewe.Godo rinoita kuti usade kuti
waunofarira or waunotamba naye atambe
nemumwe munhu.

Godo rinoita kuti usade kuti mumwe


munhu angopiwa nemumwe munhu chero
zvaangapiwa.Godo rinoita kuti mumwe
munhu atadze kuti makorokoto.Akawana
matenga firiji itsva haashaye paanoti "
but, hainonoki kufa manje'
Kana iri mota anobva ati "but makadirei
inodya fuel".But but but but kudiii kwacho
kurwadziwa neumwe uko.

Shoko iro rakatifadza vakanyatsa kubata


mai Matemba vanorwadzisa nesu.

*Natasha*

"Mama ndazokuudzai here drama raitika


kwasahwira wenyu" ndakadaro
ndakagara mukitchen mandaibika mama
vanga vachicheka muboora.

"Sahwira wangu upi watanga


zvemakuhwa"said mama.
"Umwe ani kunze kwamai
Matemba"ndakadaro ndichiseka.

"Ndinokurova Natty usafarisa taura tinzwe


chii chaitika"

Ndakatanga kutsanangura zvese mama


vakashamiswa nazvo.

"Davie haite shuwa ndamutya kuda


kuroora Ropa here sis vaLisa inga
zvakaoma saka mai Ropa vari kuzviziva
here izvi" vakabvunza mama.

"Mai Ropa hapana chavanoziva avo"

"Inga zvakaoma vana vemazuvano


hamuna hunhu" vakadaro mama.

Ndakapedza kubika tikadya semhuri


ndapedza ndikaenda
kwaLisa.Takambotaura nyaya
tichiwanzira mai Matemba.Kusvika hope
dzabata.Makuseni ndakaenda kumba
ndikaita basa rese.Handina kuenda
kuchurch tese namama yaiva kure zuva
iri.Dean akasenda message achiti buda
tisangane.Ndakanzvenga mai vangu
ndikanomuona.

"Natty sorry kani"

"Andide sorry yako wakandiita benzi


Dean paya"ndakadaro ndaitoda
zvekunyengererwa.

"Honey sorry day riya ndakatsamwa


pakuti makatema imba dai makatukana
chete zviri nani"

"Saka ndanga ndiri wrong here


ndakuenda ndagara ndazviona
haundide"ndakadaro.

"No wanga usiri wrong sorry kani"

"You are the only one person I want to be


with for the rest of my life and grow old
with. I love you my sweetheart"said Dean
ndakatanga kunyara anga akanditarisa
mumaziso chaimo.

"Ummm daddy ndazvinzwa"ndakadaro


ndakavhara kumeso nemaoko angu.
"Sweetie i hate madairiro iwayo"

"Okay I love you too kwacho"ndakadaro.

"Zvehasha here Natty"

"Aaah daddy monetsa imimi"

"Uda ndinetse ani manje Natty"

"Dean you are in my heart I really love


you" ndakadaro
ndakamutarisa.Akaswedera pedyo neni
tikatanga kudyana muromo zvedu.Akabva
amira akanditarisa mumaziso ndingati
takatarisana kwenguva yakareba
chaingonzwika kufema.

"When I looked into your eyes I didnt see


just you, I saw my today, my tomorrow,
and my future for the rest of my life"said
Dean anga ari so sweet mkomana wangu
ndizvo zvimwe zvandaimudira.

"I loved you from the day i met you, there


was like a connection between us and i
think it will always be there no matter
what happens I love you and I always will"
ndakadaro ndichirevesa chaiko.Pana Dee
ndanga ndaperera zvangu.Akatanga
kundibata chivakushure changu
ndikanzwa ropa rangu
kumhanya.Akatanga kundibata bata umm
zvandainzwa ipapo so
hazvitsanangurike.Regai Lisa avhurire
Diva gumbo zvinhu izvi ameno
zvazvingori so.Ndanga ndava munyika
yangu ndega ndikaona munhu akundisiya
amira kuita zvaanga achiita.Apa ndaida
arambe achindibata ndakabhoekana asi
handina kuzviratidza.

"I know watsamwa bbe ndazviona but


patiri pano apaite"

"Apaite kudiii daddy"


"Hapana ngaipere iyi bbe"said Dee.

"Haiperi iwe waitangirei"ndakadaro.

"Amana Tasha"

"Ndatotsamwa ini"

"Sorry mkadzi wangu chihandei zvedu


uko" akadaro achindibata ruoko tikatanga
kufamba zvedu.Ndichiidzwa mashoko
erudo ndiye dhuma dhuma naDavie
ndakashaya aibvepi achiendepi.
"Wow malove birds, saka iwewe Natty
wakadestroyer relationship yangu kuti
zviite sei hee"said Diva.

"Hey bro amuna zuva ramakambondiona


ndichinetsana nevasikana venyu saka
siyaiwo munhu wangu ndimi mega
makazvikanyira" akadaro Dean ndakafara
kuti akaenda kuside kwangu.

"Haaa Dean ini andisi kurwadziwa newe


rega ndigare ndakuudza musikana uyu
ihure ritori gaba akavhurwa naFrank
ndikunyepa here Natasha" akadaro
Diva.Ndakashaya kuti zvaFrank
akazvizivira kupi nekuti ndiye aiva
mkomana wangu wekutanga.Dean haana
kubvira ambondibvunza kuti ndiri virgin
here saka haisi mhosva yangu.

"Chero ari gaba ndomuda akadaro


anenge ari mkadzi wangu not wenyu
mkoma"said Dean.

"Muri kuitiswa bambo regai ndiende ini asi


Natty zvawaita hazvina kundifadza "said
Diva achifamba kuenda nekwaiyendwa
unokutokushaya.Ndakasarandiri pama1
naDean.
"Natasha who is Frank"

"He is my ex" ndakadaro.

"Hooo ko wakarara naye here"

"Ahhh"

"Chiiii yes or no"said Dean


_Natty naDean zvinofamba bhoo here
apo_

*Watch out for chapter 27*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/J11WrTw8QE
F9fX7hhzArsK
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 27*

*DAVIE*
Life is not fair, ndakaona kuti panyaya
dzevasikana dzainetsa kwandiri.Wese
wandinenge ndati ndada apashaye
chovhiringa.Pana Ropa ndakarwadziwa
asi ndakazvishingisa hangu.Pakutuka mai
vangu ndakanyanya kurwadziwa
ndakamuudza zvekuti haushamisire
wagara uri gaba.Zvemunhu anoda
kushamisira ndombozvida here iko kaLisa
kacho kuzonyepera kuda kutsanangura
heee ndakabviswa humhandara
naDiva.Ko akadiii kuramba kurara neni
ndakamumanikidza kumuvhura
here.Kana ari Natty ndiye munhu
wandanga ndavenga ndaitoda atorambwa
naDean.Ndaitoda Dean atsvage ziyellow
born zibabe rakanyanya zvekuti natty
hakasvike arwadziwevo.Dai pasina Natty
zvisina kumboitika Lisa ari ega
aisambozvitaura ndomuziva uya akapusa.

"Iwewe Davie vasikana vako ava


unombovaonepi chaizvo " vakabvunza
mama.

"Muri kurevei muchidaro mama"

"Zvandataurwa wazvinzwa pindura


zvandabvunza",
"Mama I know marwadziwa nezvaitika izvi
sorry ingosiyanai nazvo"

"Ana Amanda vaunosiya ava


ndovasikana vakadzikama vane hunhu
kwete zvana Ropa ava zvako zvoda
kumbofambira pamusha pano panenge
papinda mhepo"said mama.

"Yaaa shuwa hakuna kwamunoziva here


timbofambira mama"

"Paunodzoka next time toenda


kwamadzibaba vamwe vandakanzwa
ivavo vanobatsira"said mama.

"Yaaa toenda mama"

"Zviri kuitwa namkoma vako unoona zvine


hunhu here Davie kutumira Lisa mari
vachitadza kutumira inini mai vake kuti
aite mari yaanayo ndini nemurume
wangu"

"Mama ndakambozvitaura zvikanzi


ndorwadziwa naHakim day riya ,Hakim
uyu ane dambudziko hombe chairo tarisai
ane gore asingauye kuno" ndakadaro.
"Kubva pakaroora kangomwa kaya haana
kubvira azombodzoka kuno Lean ndiye
apakandutsa mwana wangu"

" ndimi maizvisapota madays aya izvozvi


makuzviona ka kuti haaite"

"Anenge akandishandisira mushonga kuti


ndibvume aroorwe nemwana wangu
paya"

"Zvinogona kudaro asi mwana wenyu ane


mamhepo uya kutadza kutumira mari last
month yekuti mutenge mbeu"i said.
"Yakatumirwa Lisa yangu manje ndoda
kunoitora haangambodyi mari yemwana
wangu bodo anenge akatosvibisa zita
rangu ndiye ari kuda kuparadza musha
uno" vakadaro mama vachipfeka bhutsu
dzavo kutoratidza kuti vari serious
nezvavaitaura.Vakapinda mumota mangu
ndikavavhurira gate.Vakabuda
ndikapindawo mumota tikaenda kunogara
Lisa takasvika vari kuseka zvavo
naRopa.Ini andina kudzika mama ndivo
vakadzika.

"Ndauya kutora mari yangu nditambidze


andisi kuda zvenoise newe"said mama.
"Mari yenyu ipi futi" akabvunza Lisa.

"Yakatumirwa naHakim hanzi imari yangu


Dean ndiye akaba akauya kukupa
achikunyepera kuti watumirwa"

"Okay fonerai Hakim wacho tinzwe kuti


mari yakasenderwa ani"said Ropa.

"Iwe hure usapindire nyaya


dzausingazive kuti dzakatangira kupi"said
mai Matemba.

"Zvamava kutuka sis vangu mari yacho


hamuchatoiwani futi"said Lisa.

Lisa na Ropa vakanogara zvavo pasi


peumwe muti vakasiya mama vangu
vakamira vega.Mama vakatsamwa nazvo
vakaenda paiva nehuni vachida kuitora
ndofunga vaida kurova vasikana ava
nayo.Ameno vakaonei ndakaona
vakumhanya vakananga kwaiva naLisa
naRopa.

"Ko chiii muri kumhanyei ndavhunduka


ini"said Ropa amira.
"Haaa zvamai ava ndazvitadza vakasvika
pano ndizvo zvavanoita vanoti vari kuona
nyoka,ini kubvira ndigare pano apana
nyoka yandakamboona"said Lisa.

"Futseki nyarara unoti handisi kuziva kuti


wakaseta nyoka pano kuti ndisasvika
pano"

Mai vangu ndakaona kuti pane zvavaiona


vakatanga kudikitira vakatarisa pahuni
pavabva.Ndakashaya kuti chii
chavaiona.Ndakatarisa asi apana
chandakaona.Ndakaona vakufamba
nekumashure vakatanga kumhanya
kunga munhu anopenga.Ndakashaya kuti
chiii chiri kumboitika vaiti vakadonha
vosimuka kutiza.Vaita kunga vari
kumhanyiswa ameno.Ndakaona vatora
direction yekwamai Natty.

"Ko chii chiri kuitika nhai imi"ndakabvunza


moyo wangu wakarwadza kuona mai
vangu vachitambura like that.

"Uri kubvunza ani enda unobvunza mai


vako" akadaro Ropa.

Ndakasiya mota ipapo ndikatevera


kwaenda mai vangu ndikasvika vadonha
pamba pamai Natty.Mai Natty vanga
vabata musoro vachishaya chaitora
nzvimbo.Vakadirwa mvura vakamuka
zvavo.

"Ko zvadiii Mai Hakim kubva mauya


muchimhanya kudaro" vakabvunza mai
Natty.

"Zvakaoma mwana anonzi Lisa ndamutya


oooh handichafe ndakataura naye kana
kusvika pamba paari kugara ndofunga
Mbuya Matemba vairoya chete nekuti
nyoka dzandiri kuona ipapo hadziite"said
mama.
"Usanyepa iwe Gogo Matemba hatina
kubvira tamboita problem nayo kana une
zvawakaita reurira nguva iripo nekuti
ukaramba uchachiona hako"

"Kureurira chii usada kunzi unogona


kutaura iwe zvako wareurira here"said
mama.

"Hautaure zvaunoda pamba pako here


chibvai pano nemwana wako"said Mai
Natty.
"Tiri kubva asi taurirai kamwana kenyu
Natty kakwane kasiyane naDean kwedu
hatidi mahure hatiroori tsvina dzakaita
semwana wenyu" ndakadaro
ndichiseka.Ndakaona ndapihwa mbama
iri strong zvekuti dama rakasara
richipisa.Handina kuda kuvadzorera
ndakatora mai vangu ndikabuda
navo.Ndakaendesa mama ndikasiya
ndavapa mapills vanga vakuti musoro
wavo uri kurwadza.Vakabva varara zvavo
ini ndanga ndakutoda kudzoka kughetto
kwangu.Ndakaenda kunotora mota yangu
ndikasvika hezvo mavhiri acho hasisina
mweya.Ndakapomba mweya mumavhiri
asi airatidza kuti aboorwa ndakanzwa
hasha hakuna umwe ndiRopa naLisa
chete.
"vasikana imi makunyanya kundijairira
manje abaya mota yangu mavhiri ndiani"

"Tisu wanga wati chiii"said Ropa.

"Asikana musadaro eish"

Ndakaona kuti apana


zvandingavaita.Ndakanotaura namai
vangu ndikatora mota yavo kuenda
kutown.Ndakasvika zvangu zvinhu
zvaifamba zvakanaka.Ndakatanga kunwa
doro rangu zvakanyanya ndichirara
nemahure.Ndiyo life yandanga
ndakurarama ndakaona kuti zvekuroora
nezvemwana zvaramba.Kubasa
kwakabva kwabiwa chimwe chimuchina
ameno ndiani akaba.Zita rangu raiva
pamasuspect aifungirwa kuti akaba saka
tanga takamirira kuenda kuhearing
kunotongwa nyaya yacho yanga ine
mapurisa mukati.

*LISA*
Diva akarwadziwa nekubayiwa kwemota
yake mavhiri.Akaisiya iripo akaenda
zvake.Ndakaona akatora yamai vake
akaenda kutown kwake.YaDiva yakasara
iri pamba pangu.Natty akasvika manheru
acho ari low low.

"Hiiii guys zvandaitirwa naDavie mashura


audza Dean zvaex wangu zvikanzi ndiri
gaba"

"Hiiii sorry saka Dean wacho aita sei"


"Andibvunza kuti ndiri virgin here
ndanetseka kupindura mubvunzo uyo
ndazomuudza chokwadi ambotsamwa
akazoti ndokuda wakadaro Natty"

"Wow zvakanaka kana akuda wakadaro


nekuti hatidi zvozonetsa mangwana"
ndakadaro.

"Ko chii chaitika kuna mai matemba


guys"akabvunza Natty.

"Imi ndikuzvishayawo pese pavanouya


pano vachinetsana neni vanoona zvinhu
zvavo vega sei ndisingazvioniwo"
ndakadaro.

"Haaa vanenge vanoroya chavakadya


chakupfuka ,nhasi ndatukwa namama
nenyaya yaDean mkomana anonzi Davie
akufarisa manje ini handife ndakasiyana
naDean chero zviite sei"said Natty.

"Mira nemunhu wako Natty usaterera


zvotaura vanhu"said Ropa.

"Ummm guys ndatenderedzwa pfungwa


nerudo rwaDean, he is so sweet and
romantic" akadaro Natty achinyemwerera.
"Rudo rwuya rwotapira asi ndoda
kukuudza chimwe chinhu usafa
wakamuvhurira gumbo kusvika akuroora
kusava virgin azvirevi kuti munhu akurara
newe pawadira"said Ropa.

"Ukutaura chokwadi ipapo handisati


ndamborara naye ini anondirespecta uyu"

"Ko Lisa kunyarara uku asi uri kufunga


Davie"akabvunza Ropa.

"Hahaha aiwa ndomuita sei benzi riya


ndikufunga kuda kuenda kutown
mangwana kunotenga zvinhu zvangu
ndodzoka"ndakadaro.

"Toenda tese tiri vatatu guys"said Natty.

Takabvumirana kuenda mangwana


makuseni.Takanamata tikarara zvedu
ndikanopihwa mari yangu makuseni
namai Natty.Ndakati vandipe half chete
ndimbofana kutenga zvinhu
zvemwana.Ndakadzoka ndikageza zvedu
naRopa.Natty akasvikawo akachena isu
tanga tatopfeka.Takaenda pabustop
tikawanda kamwe kaFitz kanga kasina
kuzara.Takapinda imomo tikaenda zvedu
kutown.Takasvika ndikatanga kushopa
hembe dzemwana dzakawandisa apa
ngadzinake sei.Zvikanzi naNatty tenga
mapair 2 2 ehembe dzakafanana hanzi
une matwins zvaNatty here.Takapedza
tikamboenda zvedu pachicken Inn
tikaiputisa shavi rangu rekudya rakati
rabata imi ndakanakihwa zvangu.

Takaenda nekumba kwana Ropa


takasvika mama vake vasipo vanga
vaenda kubasa kwavo.Paingova
nekahanzvadzi kangu Vongai kanova
kaitevera Ropa.Mainini vangu vaingova
nevana vaviri chete Ropa
naVongai.Takambogara kwenguva diki
tikadzokera kwedu kumusha tichiita
kufara.Chicken Inn ndanga ndinayo imwe
yandatenga yandaida kuzopa mupfana
wangu Noku.

Takasvika manheru chaiwo tikasvika


nekurara makuseni ini naRopa takaenda
kumba kwababa.Noku anga aripo zvake
ainwa tea nerice rine soup.Zvimwe
nezvimwe pamba pababa vangu
panodyiwa uchiguta kwete zvana Mai Gift
vanoda kuomera nechikafu kunga ndivo
vatenga.Ndakapa Noku red box iya
mafariro akaita ipapo.Ndakaona Mai Gift
vanditarisa vachiti pamwe ndauya
neyavo.

"Hiiii apa sis mandigonera thanks"said


Noku.

"Haaaa pane akamboona zvandinoona


pana Noku naDaisy here"said Ropa.

"Haaaa vakafanana imi aaah


ndozvishayawo kungoti Daisy mutsvuku
hake"ndakadaro.

"Ehe Daisy akatora skin yamaiguru mai


Lisa aaah,apa hapana wakafanana naye
kwamatemba ikoko sei"akabvunza Ropa.

"Haaa imi ini kufanana nekabenzi kaya


asi mashaya nyaya dzekutaura here,
pamwe baba vakahura namai Matemba
ndiwo maonero angu" said Noku achidya
zvake mazipiece enyama.

"Zvinogona kudaro Noku waane 15yrs ka"


akabvunza Ropa.

"Ndikudzisvitsa next month"

"Ko Daisy ane makore mangani"


akabvunza Ropa.

"Andizive uyo haasi kuma12/13 ikoko


here"ndakadaro.

"Haaa kupedza zvese tozokabvunza"said


Ropa.

"Lisa saka wauya kupa Noku ega ko ini


sei wakandivenga nhai"said Mai Gift.

"Handina kukuvengai asi makati ndiri


muroyi saka mungadya zvinhu zvemuroyi
here"ndakadaro.

"Ko mari yekutenga izvi waiwana kupi


nhai,ko imota yaani iri pamba pako"
vakabvunza Mai Gift.

"Imota yangu iyo manga mati chii"


ndakadaro ndaida kuvasvotesa mai ivava
vanomboonererwa.

"Hooo asi wakatengerwa naHakim kani"

"Ehe ndiye akamutengera"said Ropa.

"Iwe handisi kutaura newe,ukada kuita


dzungu unobva pano uchimhanya"said
Mai Gift.
"Pano pamba pamaiguru vangu mai Lisa
vakabatsirana nabamukuru kuvaka imimi
amuna masimba ekundidzinga panapa
asi ini ndine simba rekukidzingai
pano"said Ropa achiita kurolla maziso.

Mazuva aya zvenoise ndaisazvida


ndakatora sis vangu tikabuda kuenda
kwedu.Denga rakatanga kuchinja mvura
ikatanga kunaya zvakanyanya.Mai
Matemba takanzwa kuti vakurwara
serious zvekuti vakutadza kana kufamba
asi vairamba kuenda
kuchipatara.Takaenda kunovaona asi
vakati havadi kutiona.Daisy anga
akungochema achiti namatiraiwo mai
vangu.Ndakanotora bible kumba
ndikadzoka pamba pamai
Matemba.Vakati ndibude mumba asi
Daisy naDean vakaramba.Takatanga
kuimba song iya yekuti Pindirai
baba.Ndakaimba song iyi zvekuti
ndakasvika mumweya.Ndakatanga
kunamata zvandisati ndamboita
muhupenyu hwangu zvekuti misodzi
yakagumisira yava kuyerera.Ndakanyatsa
kunzwa ndega kuti apa ndiri kunamata
zvasiyana nemazuva ese
aya.Ndakanobata musoro wamai
Matemba pavanga
vakarara.Ndakanamata ndichiti baba ini
andina simba asi simba ndimi munaro
makati mashoko anobva apa pamuromo
wedu ane simba poresai muranda kadzi
wenyu.Ndakanamata zuva iri zvekuti
vanhu vaiva mumba umu vakashamiswa
nazvo.Pandakati amen ndakatarisa mai
Matemba.

"Apana zvawaita ndiri kurwadziwa basa


kundiitira noise isina basa"said mai
Matemba.

"Tete Daisy endai munotora mvura mupe


mai venyu, amai munopora nezita
raJesu"ndakadaro tete vakatora mvura
vakandipa ndikaitambidza mai Matemba
vanga vakuda kuirasa vakanwiswa
naDaisy.
Takabuda zvedu naRopa achindibvunza
kuti unonamata zvakadaro ndakutya.Zuva
iri ndakaswera ndichiverenga bible Ropa
anga aenda kunotamba kwana
Natty.Pasina nguva Daisy akauya achiti
mama vake vava nani vakudyawo
akanditenda ndikamuti tenda Mwari ndivo
vaporesa mai vako kwete ini.Manheru
ndakarara ndakatanga kurota mai vangu
vachiombera maoko vasingataure.Kubva
pakafa mai vangu ndiko kaiva kekutanga
kuvarota.Ndakamuka ndikatanga
kuchema ndanga ndasuwa mai
vangu.Ropa akandinyararidza ndikarara
ndaiti vachauya kutaura neni kana
kumbouya zvavo.
_Davie achasvikepi nelife iyo_

_mai Matemba chii chiri kumboitika


pavari_

*Watch out for chapter 28*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 28*
*Davie*

Nyaya yekubiwa kwechimuchina


yakanetsa pabasa apa.Zvakandibhowa
kuti sei vaifungira inini apa zuva racho
ndaisavapo ndanga ndabuda.Nyaya
yacho yakanotongwa ndikataura
kwandaiva zvese apana
chandakasiya.Nyaya yakatongwa zvikanzi
namanager iwewe handikuchenesi
panyaya iyi saka tichambokumisa basa
tozokufonera kuti chidzoka tambopedza
nyaya iyi.Hakuna kudzingwa kunopfuura
apa kutaura chokwadi ndakarwadziwa
kusvika pamoyo chaipo.Basa rangu
ndairida zvino zvazvadai ndoita
sei.Ndakabuda ndikaenda kumba
ndichimirira kuzofonerwa kuti chidzoka
pabasa.

Ndakasvika kurara zvangu pabed


ndichifunga kuti zvazvadai ndichazovei
mangwana.Handina mkadzi andina
mwana ndamiswa basa why Mwari.Why
zvevamwe zvichifamba zvangu
zvisingafambe ndaitoda kuitawo mari
yakapfuura yaHakim.Hakim anga
andivenga hake ko tingadii ane mari ndiye
mukuru anoita zvaanoda nemi.Inga mai
vangu ndovafadza saka munyama uri
kubvepi.Kuti haasi Lisa ari kundipa
munyama iyeyu.Pakamari kandanga
ndinako ndakakatora kese ndikaenda
kubhawa kunonwa zvangu.Ndaisamboda
zvekufunga zvisina basa.Ndakabva
ndakabva ndaona kamwe kahure
kakanaka ndanga ndakadhakwa zuva
iri.Ndakaenda nako kumba
ndikashamisika kuona aiziva zvepamba
apa.Handina kumbozviisa mumusoro
ndakarova makumbo zvangu.Ndapedza
ndikamborara kahure kaya
kakandipeputsa.Ndikaona ari Bella
ndakarohwa nehana.

"Bella uri kudei pano"


"Ndikuda iwewe shaa I'm sorry pane
zvandakaita zvese ndisatan akandipinda
ndakaedza kukubvisa mupfungwa dzangu
asi eish zvakaramba"said Bella
akanditarisa achiratidza kuti airevesa.

"Bella uri hure ini zvangu newe zvakapera


kudhara handiroori munhu wemubhawa"

"Handisi wemubhawa ndaizama pese kuti


ndotaura newe sei saka ndazokuona
uchienda kubhawa ndikatevera hangu
chero kubvunza vanhu veko handipinde
mubhawa"said Bella.
"Bella ndiwe munhu wandaida nemoyo
wese wakandirwadzisa ungarara
nemunhu pabed pangu chiii chawaishaya
pano foni yawaida ndakakutengera
ukarasa musoro ndaikurukisa
futi"ndakadaro.

"Sorry ndadzoka ndogadzirisa mamistake


angu ndakabvuma kushandiswawo
nasatan"said Bella.

Bella ndanga ndisingachamude asi


changa chakabatana chine gumbo
randaida.Kwete zvana Lisa vane zvidya
zvakasviba zvosemesa kutarisa.Bella
ndakati ndamuregerera ndaida
kumboedza futi pamwe tingaite
mwana.Ndakazomurova zvinhu zvekuti
akati nhasi zvauchandiuraya nhayi.Bella
akati aigara kumba kwefriend yake
takaenda kunotora mabags ake.

"Ko sei musiri kubasa daddy"

"Ndakamiswa pane zvakaitika


ndichazokuudza kana ndine nguva"

"Okay no problem ndikuona makaneta


rarai basa ramabata iguru"said Bella.
Ndakabva ndarara zvangu ndikazomuka
hangu kwava kuvira kuchinaya.Bella anga
achibika ndakafara nekuti nzara yacho
yanga yandikuvadza.Ndozvakanakira
kuita mkadzi izvi.Bella anga ava sweet
kupfuura zvaanga ari kudhara ndakaona
anga akugadzirisa mamistakes
ake.Akauya nedish akandigezesa maoko
ndikatanga kudya imi ndaibatwa
sekacheche.Ndakapedza kudya akatora
mandiro akanomageza apedza
akanogeza iye.Akazouya kugara pasofa
pedyo neni tikatanga zvedu kuita chikudo
pasofa.
"Daddy ndine nyaya yandikuda kutaura
asi please musatsamwe"said Bella.

"Inyaya yei iyoyo taura hako


handitsamwe"

"You said Bamukuru Hakim havana


mwana isu takatadza futi kuita mwana
kufunga kwako zviri zvega here
izvi"akadaro akanditarisa.

"Pamwe tine problem naHakim wacho


ameno anoziva ndiMwari asi Hakim
kuzvara anozvara akangoroora ngomwa
chete apa"ndakadaro.

"Hooo hausi kuona zvandiri kuona ,pane


vamwe sekuru vanobatsira vanogara
kuChiredzi uko vakabatsira friend yangu
yaiva neproblem yakangofanana neyedu
iyi"

"Unenge une plan iwewe saka pamba


pasekuru vacho unopaziva here, yatova
nemwana here friend yako"

"Handipazive tobvunza Rudo wacho ,ava


nenhumbu uyo very soon anenge atova
nemwana"

Ndakamumbindira nemufaro anga auya


neplan asi ndaida kutanga ndatomboudza
mai vangu ndinzwe kuti vanoti
kudiii.Mangwana ndakamukira kuenda
kumusha Bella andina kumuudza kuti
ndodzoka rini ndaida kuzomutaimira
kuona haana kupinza zvivanhu zvake
here.Ndakasvika mai vangu vakagara
zvavo pasofa vachinwa zvavo drink.

"Iwewe paunodzoka usiye mota yangu I


hope wauya kugadzirisa yako" vakadaro
mama.
"Mama musadaro kani currently andina
mari yekugadzirisa mavhiri ayo"

"Hauna mari chimbondiudza mari yako


inombopereri mwanangu last time hauna
kundipa yembeu asi busy kushoora
Hakim makangofanana mese asi batai
mashoko angu ndikafa mese naHakim
moita marombe ekupedzisira"said mama.

"Mama sei muchidaro musandifananidza


naHakim inga wani ndakakuudzai kuti
ndakabirwa mari sorry mama
musandifungira zvisizvo"
"Okay my son"

"ko Daisy aripi mama" ndakabvunza.

"Andizive haagari pasi uyo izvozvi kari


kwaLisa kachandinetsa kamunhu ikaka"

"Ko vanowirirana pakudii


naLisa"ndakabvunza.

"Wozomubvunza ini ndakaedza


kumutsiura kuti siyana nana Lisa
hakanzwe kumurova haanzwe"
Ndakasimuka ndikaenda kwaLisa ndaida
kunoona mota yangu.Ndakasvika
yakazara madhaga imi
isingachatarisike.Ndakanzwa hasha aya
mabasa aRopa naNatty chete nekuti Lisa
haamboite zvakadai.Ndakanzwa kutaura
mumba ndikanzwa ivoice raDaisy.

"Mkoma Diva vane pride too much


vanoda kuzviita havabvire hongu
ndimkoma vangu but ndavenga zviito
zvavo"said Daisy.

"Diva ibenzi harifunge ooh naMwari


akauya pano achida kundiita zvedzungu
ndochidambura chinhu chake dai Lisa
paya wakachidambura ndicho
chinomufurira zvisina basa"said Ropa.

"Haaa guys stop it ini nyaya dzaDavie


handide kudzinzwa hangu"said Lisa.

Ameno chiii chandakatsika ndakaona


vasikana vabuda
vakandidzvokora.Ndikaona Ropa abata
huni kuti aitoda kundirova.Natty abatawo
yake Lisa naDaisy ndivo vakasara
vakamira.
"Uri kudei pano"akabvunza
Ropa.Ndakatoona kuti apa ndikaita
zvekutamba ndaipinda ma1.

"Apana ndanga ndauya kutarisa mota


yangu"

"Saka pawakamira ndipo pane mota yako


here" said Natty.

"Aiwa ndaida kubvunza kuti ndiani


akaisvibisa kudai"

"Ndini ndakaisvibisa wanga watiii"said


Ropa.

"Haaa iwewe Ropa usaita kunga uno


shamisira wanzwa newe Natty muri zvuru
zvakapinda nyoka mahure tsvagai
mabasa pane kuswera kurarwa
nemadhara emuno"kuzodaro imi vana
vakanzwa hasha
ndakamhanyiswa.Kumhanya
ndaisambogona vakatevera tikapinda
tese pagate pedu.Mama vakashamisika
kuti chii chaitora nzvimbo.

" vasikana imi ibvai pano izvozvi" said


mama.
"Mbuya imi taurirai mwana wenyu
adzikame anofira mumaoko angu
uyu"said Ropa.

"Ndati ibvai pamba pangu"

Ndakaona Lisa achipinda achitora sis


vake.Natty akabva atevera kana basa
nazvo handina.Ndakakiya gate Daisy kuti
kasabuda.Kakatanga kuchema hanzi
ndoda kuenda kuna Lisa.Daisy anopenga
munhu ava nemazamo munhu akura
anoita kunga kacheche.

"Daisy hautonyari ipapo mukadzi mkuru


akaita sewe kuchema zvisina
basa"ndakadaro.

"Pano panobhowa ndoda kuenda hangu


kuna Lisa moti hazvichemedzi here
muchindiitira hutsinye"said Daisy.Akabva
anzi namama enda unoverenga mabook
ako ndisati ndakurova.Akapinda mumba
akaenda zvake mubedroom mairara
namama.Mama vairara naye kubva
kudhara iye akambopihwa room akati
anotya kurara ega.

"Mama ndine nyaya yandinayo


yandafambira kuuya kuno"
"Inyaya yei"

"Ndikuda kuenda Chiredzi kuna vamwe


sekuru vanobatsira pamwe ndingaita
mwana ndikuda kuenda naBella
takadzokerana"

"Kudzokerana naBella you are not serious


Davie"said mama.

"Mama achinja munhu uya"

"Handimude haana hunhu ane husimbe


ane kahunhu kechi hure hure ameno
zvaangori so even dressing yake unoona
kuti ihure iwewe wakada magaro chete
asi haana rudo newe tsvaga anokuda iwe
uchimuda"said mama.

"Mama ndiye wandinoda hakuna umwe"

"Okay chibva waenda unogara ikoko naye


usafa wakatsika pano nekahure kako
ikako wanzwa here ndikafa iwewe
uchatamba nhamo namkoma vako
ndakazviona muri kuda kundiuraya neBP"
vakadaro mama.
"Saka mama mukuda ndimboita sei
chaizvo moda ndigare ndisina mkadzi
here"

"Usada kundibhowa iwe ndati uri kuda


kundiuraya neBP chimboita hako asi why
Mwari vana vangu vese
vasingachanditereri uyuwo Dean ari busy
naNatty iwe wakutora hure ndaida vamwe
vese vadzidze kwauri manje eish moyo
wangu dai wawana zororo"vakadaro
mama nevoice rainzwisa.Ndakaona kuti
vanga vasina mufaro vakandisiya
vakapinda muroom mavo.Daisy akabuda
akauya pandiri.
"Mkoma ko maita sei mama hiiiiiii
vakatsamwa sei muchida kuuraya mama
neBP vanhu imi inga munoziva hutano
hwavo hwakamira sei musadaro"said
Daisy.

*LISA*

"Sis how many times ndichikuudzai kuti


noise haibhadhare siyanai naye Davie
uyu haana kana nebasa"ndakadaro.
"Lisa ini handidi zvekujairirwa nevanhu
ava"

"Lisa uri too soft that's why mai Matemba


vachikujairira pamwe pacho apadi kuita
soft sahwira"

"Yaaa muudze Natty ,Lisa hatisi kukutuka


asi usanyanya kuita too soft vanenge
vakukuona kunga wakapusa"said Ropa.

Ndakaona kuti vaitaura havo chokwadi


ndaiva too soft.Inyaya yekuti mai Natty
ndivo vakanditi usafarira zvenoise chero
mai matemba vakakutuka nyarara
kukunda muedzo kunyarara.Natty akabva
aenda kumba kwavo.

Mazuva akafamba Diva haana


kuzombotsika pamba pedu.Ndanga
ndakanyoresa kuchipatara zvangu.Asi
Daisy aiuya zuva nezuva achindiona
mwana aindida hake uyu.Noku aigona
kuuya kamwe paweek andizive
chii.Rimwe zuva Noku akasvika ndichifara
naDaisy,Ropa anga aenda kwana Natty.

"Saka sis amuchandidi makuda uyu


ndikuzviona hangu"said Noku.
"Noku inga ndokuda wani ko zvadiii
mwana wamai"

"Momudiii mwana wemuroyi"said Noku.

"Futseki ukuti mai vangu muroyi kuti


zvidiii"said Daisy.

"Newewo futseki uri kachidhoma"said


Noku.Vakatanga kutukana vakagumisira
vakurovana.Ndakaedza kudaidzira ndiri
pandakagara kuti mirai zvamuri
kuita.Ropa achibva kwana Natty ndiye
akasvika kubata.
"Noku ndiwe wadenha apa ita kuti sorry
now"ndakadaro.

"Ndakagara ndazviona kuti makuda Daisy


kupfuura inini haisi nyaya handichasvike
hangu pano imi musauyawo
muchinditsvaga itai zvaDaisy"said Noku
akuchema.Akatorwa naRopa vakaenda
paside.Akatanga kutaurwa naye anenge
aitsiurwa here ameno.

"I know my mom vanobhaiza asi handide


kutukirwa mai vangu handitodi akaramba
achibhaiza ndozomuruma manje"said
Daisy.Ameno Noku akanzwa zvakataura
Daisy sei ndakaona auya kwaari.

"Mai vako iwewe zvavanonditi mwana


wemuroyi hanty vanenge vachituka mai
vangu here ko chii chakurwadza dzikama
ndokuputisa"said Noku.

"Manje ini ndokuruma tumaoko utwu ,inini


wakambondinzwa ndichituka maparents
ako here iwe",

"Ehe ndakakunzwa madays aya awaiti ini


nasis Lisa takashata uchifarisa namai
vako"
"Usanyepa mufana"said Daisy.

"Ini kuita mufana wako bodo go to hell


sista"said Noku.

"Newewo go to hell nxaaa"said Daisy.

Ndaimbofunga kutamba vanhu ava vanga


vakavengana zviri serious.Asi dzimwe
nguva vanomboita kunga vanowirirana
wani.

"Daisy naNoku musada kunditsamwisa


muri kuzvinzwa here"
ndakadaro.Twakabva twanyarara twese
ndaiona Ropa anga
akatutarisa.Akabudisa foni yake
akavatora mapics vakavarairwa.

"Ndazobata maths dzacho iwewe Daisy


uri mwana wabamukuru vangu chete
hona pic iri makafanana naNoku"akadaro
achivaratidza pikicha riya.

"Kuita mwana waBaba Lisa sei how kuti


mai vangu vakahura nababa Lisa
here"akabvunza Daisy.
"Obvious vanenge vakahura vese ndoda
uzovabvunza kuti sei mama vanhu vachiti
ndakafanana naNoku uchaona reaction
yavo wozouya uchindiudza"said Ropa.

"Ndakambovabvunza futi vakandikata


ava, okay ndichavabvunza
hangu",kakadaro.

Ndakasimuka ndichida kuenda mumba


ndakatanga kufamba low low ndanga
ndakurirwa.Ndava pakati ndikatanga
kunzwa kapain.Ndakaona ndabuda mvura
aaah imi.
"Heeee sis vazviitita wet"said Noku
achiita kundiseka ndakaona Daisy
akusekawo.Ropa ndiye anga avhura ziso
akanditarisa.

Drop your comments

*Watch out for chapter 29*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*
Follow this link to join my WhatsApp
group:
https://chat.whatsapp.com/C6IWUlAM4X
HKbfP7JwJZBP

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*CHAPTER 29*

*LISA*

Ndanga ndakurwadziwa pamwe nguva


yekubereka yanga yakwana.Ropa
akazviona akamhanya kunoudza mai
Natty.Pasina nguva ndakaona Mai Natty
vasvika nemota yavaDube ndikatakurwa
kuenda kuchipatara.Ndakasvika
ndikatabatsirwa nemanurse
vakandiendesa kune imwe room
so.Kuzvara kunorwadza ndakaita kunga
ndichafa ndakapona vana vaviri
mkomana nemusikana.Ndakavatarisa
tuchichema misodzi yangu ikatanga
kuyerera.Ndanga ndisina kumbozvitarisira
kuti ndichazvara matwins.

Mufaro wandanga ndinawo wanga


wakanyanya zvavo.Mwari vanga
vandirangarira zvavo netuvana twangu
tuviri.Ana Mai Natty vakazopinda pava
paya ndaendeswa kune imwe
room.Vakafara vachiona vana 2 ari
saNoku andichataure hangu.Daisy anga
akatarisa vana ava.

"Makorokoto asikana makudza musha


wekwaMatemba"said Mai Natty.

"Sis ndafara hangu andidi kunyepa


ndatowana shamwari ipapa"said
Noku.Ropa akabuda zvake akaenda
kunonditengera chikafu chiri light.

"Saka vana vachanzi ani manje"


akabvunza Ropa.

"Ini ndoda kupa kamusikana zita"said


Daisy akanditarisa.
"Aaah kuti vana vako here ndini ndofana
kupa kamusikana zita vana vangu"said
Noku.

"Ndakutangira okay ngatibvise mari


anenge abvisa yakawanda ndiye anenge
awina opa mwana zita"said Daisy.

"Wakuda kutora advantage kuti mune


mari ini andina ndoiwanepi okay chipa
vana vacho sezvo uriwe unofarirwa nasis
Lisa"said Noku.

"Vana imi tikwanirei mhani how many


times ndichikuudzai kuti mirai zvenyu
zvekunetsana"said Ropa.
"Daisy na Noku huyai apa"said Mai Natty
vakabva vaenda kunomira pana mai
Natty.

"Wanditsikirei nhai Daisy une hutsinye


ndakazviona"

"Sorry ndaita mistake"said Dee.

"Gara nesorry yako shamwari next


ukafarisa ndokurova"said Noku.

"Tiri pakufara pano hatina kuuya kunzwa


kunetsana kwenyu kana muchida
zvekunetsana kana kurovana endai kunze
uko mazvinzwa behave sevanhu vakura
amusi vadiki imi"said Mai Natty.Apana
akadaira twakaramba twakanyarara
ndakaramba hangu ndakavatarisa.

Ndakapedza 4 days ndiri muchipatara


ndikazobuda zvangu.Ndakazopa ndega
vana vangu mazita ndakaona kuti
ndokupedza zvese nekuti Noku naDaisy
vairwirana kupa musikana
zita.Kamusikana ndakakapa zita rekuti
Tashia then kamukomana Tashley.Ropa
akafarira mazita evana vangu even mai
Natty vakati akanaka.Kuyamwiwa mkaka
kwandirwadza ameno twana twacho
twaiita kudhonza here ameno.
Mai Natty vakandidzidzisa mabatirwo
anoita vana.Vaiuya everyday pamba
pangu vachiona ana2.Mai Matemba
vakaudzwa kuti kwane vazukuru kana
kumbouya kuvaona.Noku naDaisy vanga
vasingachawirirane
zvinotobhowa.Ndoshaya chiii
chavaivengerana vana ava.

"Hiiiii idzi ndiDiva hona tumaziso twacho


ava ndimai Matemba" akadaro Natty.Diva
anga agara akafanana namai vake kwete
zvakanyanya.Vana vangu kuzofanana
naDiva ndizvo zvakandibhowa manje
kushaya akafananawo neni.

"Tashley kachatora mabbe pakachakura


kari cute"said Ropa.

"Haaa Tashia hamusi kumuziva imi


ndimai Matemba part 2 chete tuchiri tudiki
hatusati twakunyatsa kuoneka kuti
twakafanana nani asi wega unotoona kuti
vana vaDiva"said Natty.

Mazuva akafamba twana twangu twaikura


asi kamusikana kainetsa.Kaingochema
chema zvisina kana nebasa.Ukakapa
mukaka wokararisa pasina nguva kamuka
kakuchema.Kaida zvekugara kakabatwa
mumaoko.Handikanganwe zuva rimwe
manheru pakati pehusiku Tashia
akamuka kuridza mhere uyuwo Tashley
akatangawo kuchema.Kuda kuvapa
mukaka vairamba ndakatanga kuchema
kuti ndoita sei.Zvaidawo baba vacho
varipo tichibatsirana asi kutaura chokwadi
Diva andichafe ndakamuregerera.

"Mai 2 kuchema akuna zvakobatsira ipa


vana mukaka ava vane nzara vana
ndozvavari vanonetsa"said Ropa.Mazuva
aya Natty anga asingachauye kurara
neni.Ndakatanga kuvayamwisa tukatanga
kuyamwa aaah vana ava ka apa
vaimboramba wani.Ndapedza
ndikaturarisa zvangu patwo twega asi
paiva pedyo neni.

Makuseni sis Ropa vakamukira


kundibikira.Mazuva aya ndaiswera ndiri
pamba nevana vangu.Ropa ndiye aibuda
buda maitiro acho kunga ava
nemkomana.Ukamubvunza aiti apana
ndinoswera naNatty.Mari yakasotumirwa
naHakim ndiyo yandaidya ameno ikapera
ndoita sei pamwe kutotanga futi maricho.

Vanhu vaiuya kundiita makorokoto vaiti


vana kufanana naDiva asi musikana uyu
akatora face yagogo vake Mai
Matemba.Rimwe zuva ndakasiya vana
naRopa ndikaenda kuchibhorani
kunochera mvura ndaida kugeza hembe
dzana 2 ndakabva ndasangana naMai
Matemba ameno vaibvepi vanga
vakabata lemon muruoko.

"Makadiiii mama"ndakadaro.

"Ndiri nani"vakadaro vachifamba ndaiti


vachaita makorokoto kana kubvunzawo
vana.Handisati ndamboona vanhu
vakadai namai ava.Ndakachera mvura
yangu ndikaenda kumba ndikasvika
kugeza hembe dzevana.Neni wacho
ndikageza mazuva aya ndanga
ndakugeza kugara ndiri smart.
Chinhu chandakafarira mai Natty avana
kubvira vandirasa vaimira neni
vachindisimbisa.Vaigara vachindiudza
kuti usaita give up Mwari vane
zvavakakugadzirira zvihombe
usanyengerera mai Matemba kuti vakude
siyana navo.Vachazokuda wava kumberi
usingachatangike.

"Thanks mama"

"Chimbondiudza Natasha naDean vachiri


kudanana here" said mama.
"Havadanani avo mama kungoti
makafungira zvisizvo Dean aingopfimba
Natty chete" ndakanyepa
ndichidaro.Kukavhira umwe wangi
chipande.

"Ukandinyepera ndichazvibata hangu


nekuti Natty wacho mazuvano akutambira
mumvura"

"Zvakanaka kungogarawo uri smart


mama mabva mandifungidzisa mama
madays andaifarira kugeza vaiti
wakupfimbwa ka ukati rega ndinyatso
geza"ndakadaro.
"Mai vako vaisada nemi vaidanana nemi"
vakadaro.

Vakabva vaenda zvavo ndikasara nana 2


vanga vakarara.Ndakabva ndararawo
ndakazomuka Tashia ava
kuchema.Pasina nguva ndakaona Diva
asvika neumwe mkomana andina
kumbotaura naye.Ndanga ndakabata
Tashia mumaoko ndakagara padoor
pangu.Akaenda pane mota yake
vakatanga kuitarisa tarisa.Vakabva
vadzokera zvavo pasina time vakauya
vakatakura kabucket ane mvura ndidzo
time dzakasvikawo Ropa achibva kwana
Natty.Diva nemufesi uya vakatanga
kugeza mota yavo kusvika
yachena.Vakabvisa mavhiri emota ese
vakabva vaenda zvavo.

"Hesi mai 2"said Ropa.

"Ndiri bhoo ini"

"Lisa wava kuchemei chiii chikunetsa


hausi bhoo" akabvunza Ropa.

"Diva kana kumbouya kuona hake vana


dai auya kudongorera aona kuti
vakafanana nani nekuti aiti inhumbu
yaVhunai"
"Izvozvo siyana nazvo kana akuda vana
vake achazongouya kuvaona usachema
chipukuta musodzi wava mai iwewe be
strong"

"Akauya andichabvume vana vangu


ndichavashandira ndovakudza ndega
zvangu"

"Ndokuti mai2 uku"

Mangwana acho Diva akauya nemavhiri


ameno kuti manyuwani here.Akabva aisa
pamota yake apedza ndakaona Ropa
akuenda paari.

"Saka iwewe uri kumboedza kudii


chaizvo"said Ropa.

"Ehh mbuya siyanai neni ndambotaura


nemi here"

"Shamwari zvauri kuita azvina kana


neskiri wadiii wambotarisa vana vako"

"Handisati ndane mwana mkadzi wangu


haasati azvitakura kana ndava nemwana
ndichakuudzai soon"said Diva.
"Mkadzi wako upi"

"Umwe upi kunze kwaBella"

"Uri sasikamu ndazviona saka unoti Bella


mkadzi here uya do you know Bella
ihure,akamboroorwa kaviri kese
achirambwa nenyaya yechihure ichi"

"Vegodo tokuzivai amushaye chekutaura


ndiri kuzviona uchiri kundirwarira manje
handisisina basa newe handidanani
nevanhu vasati vakugona kugeza ari
saLisa anonhuwa dikita muhapwa
hahahaha"said Diva.Mashoko aya
akandirwadza akaita ndiite zvimwe zvinhu
zvandanga ndisingade kuita.Ndakatora
huni ndikaenda kwaanga ari ndikamurova
nayo.Akaibata akandipa mbama
ndikadonha pasi.

"Lisa dai uri umwe wadzikama unofira


mumaoko angu wanzwa"said Diva
ndakaona Ropa abanha Diva pakati
pemakumbo.Davie akadonha pasi
achiyuwira nemarwadzo.Akatora makey
emota yaDiva akamaisa mubraa make.

*DIVA*
Mama vakaramba vachiti Bella
andimude.Ndakaona kuti kuita nharo
kupedza nguva ndakangobvuma asi
ndaiziva kuti Bella akuna kwanomboenda
ndoramba ndichigara naye
vasingambozvizive.

"Usaenda kuChiredzi uko wanzwa


,ndaida kuenda newe kwamadzibaba
vaya manje avapo"said mama.

"Ndichazouya hangu tozoenda"


"Okay asi mota yangu siya"

Andina kuita nharo ndakaisiya ndikaenda


kughetto nemakombi ndikasvika
manheru.Ndakaita zvekunojamba
durahall repaden pangu ndaida kuona
Bella anani uye ari kuitei.Ndakadongerera
ndikaona akagara mudinning ari kuona
film apa akapfeka zviri so
sexy.Ndakanoka akavhura ndikajambirwa
nemufaro chaiwo.Ndanga ndakasuwa
kamunhu kangu.Ndakabva ndarara nako
pasofa ipapa.Tapedza tikanogeza
mubathroom ngoma ndiyoyo apa inotoba
chete.Takazoenda kunogara mudinning
akandibikira chikafu tikadya tese.
Bella anga achinja hake ava wife material
chaiyo.Takazoenda kunorara
zvedu.Mazuva akafamba handina kubvira
ndazofonerwa kuti dzoka kubasa ndiko
kutopera kwaro.NaBella rudo rwedu
rwaikura everyday taiti tikabuda taibuda
tese.Pane vamwe mudhara vaida
kusoterwa paden pavo malight avo
aingotsva tsva.Ndakaenda ndikasota
vakati Stove yavo ine problem ndikaisota
futi.Ndakapihwa mari yakawanda
apa.Ndakafunga kunogadzirisa mota
yangu.Imwe mari ndakasiira Bella kuti
atenge chikafu chepamba.Ndakaenda
kumusha ndikageza mota nemufesi
wangu.Lisa ndaimuona akagara padoor
akabata kamwana.Ndaida kuona kuti
kakafanana nani asi haa ndakati rega
ndisiyane nazvo.Tapedza ndikabvisa
mavhiri acho ndikanomagadzirisa.Ndipo
pakasimuka mhepo Ropa
auya.Ndakarwadziwa kupihwa bhutsu
pakati pemakumbo.Kutarisa kudai makey
emota apasisina.

"Ropa ndipewo ka makeys angu"

"Makeys aya hauchamawani chero zviite


sei hauna kurara nesu mahara ndiwo
mubhadharo wacho uyu"said Ropa.
"Please Ropa ndokumbirawo makey
usadaro"

Ndakaedza kunyengerera
vakaramba.Ndakaudza mama vakati
havaendi kumba kwaLisa.Vakataimira
Ropa paanga akuenda kunochera mvura
manheru tikamubata.

"Ndipe makey angu" ndakadaro.

"Iwe hure shandaiwo mutenge mota


dzenyu kwete kuda kutibira dzedu" said
mama.

"Go to hell mese nxaaa makey amusi


kuzomaona muchindisiya ndikunanga
kwaSabhuku kunotaura kuti manga
makandidzipa maida kundiuraya"akadaro
Ropa.

"Enda tione anosara nenyaya ndiani"


ndakadaro.

"No usaenda Ropa mira titaurirane


zvakanaka" said mai Matemba.
"Handichadi ndoda kunotaura mandiita
benzi uyu arova futi munin'ina wangu
Lisa"

"Diva wamuroverei heee how many time


ndichikuti chisiyana naLisa haunzwe sei
uchafira mujeri iwewe" said mama.Vanga
vatondipandukira.

"mama ndiye anditanga uyo" ndakadaro.

"Hauna kuti Lisa anonhuwa muhapwa


here ndiwe watanga"said Ropa.
"Davie ndakakuudza paya kuti
chimbosiyana naLisa uri kuona Lisa ane
support from Sabhuku zvekuti akaenda
kunotaura tinopinda busy even
kumapurisa atiwine futi" said mama.

"Mama musabvuma kutyisidzirwa nevana


ava"

"Haaa futseki mhani usandibhowa


wanzwa"said mai Matemba
vakanongedza mwana wavo Davie.

"Mama ini zvamava kuita andizvide hangu


ndakutadzirei"
"Nhai Ropa ichokwadi here kuti Lisa
akabareka matwins "vakabvunza mama.

"Matwins api ane mwana umwe chete


wandaona akabata"ndakadaro.

"mai matemba endai munobvunza Lisa


mubvunzo wenyu ini handikwanise
kupindura"akadaro Ropa achienda zvake.

_drop yours comments_


*Watch out for chapter 30*
[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/C6IWUlAM4X
HKbfP7JwJZBP

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 30*

*DAVIE*
Ropa aifarisa hake anga akangwarisa
than Lisa.Ndakatoona kuti makeys emota
aya ndikaita zvekutamba
andimaoni.Paitoda kuzvininipisa mota
yangu ndaiida zvaisamboita kuti ndiisiye
kuno.Takaenda kumba apana aitaura
neumwe namai vangu.Takasvika mama
vakaenda zvavo mubedroom mavo.Ini
ndaitogaya tsoro kuti ndomawana sei
makeys emota.Daisy akabva asvika
achifara ndakashaya kuti aifarei ipapa ini
ndiri pakunetseka.

"Daisy huya ugare apa ndine nyaya


newe"
"Ndauya mkoma"kakadaro kagara pedyo
neni.

"Ndoda kuronga dhiri newe unoda here"

"Dhiri rei"akabvunza Daisy.

"Makeys angu atorwa naRopa ndoda


unomunyengerera kuti akupe ndiwe
unotaura naye"

"Handidi musandipinze munyaya dzenyu


pedzeranai mega musada
kundivengesa"akadaro achisimuka
kuenda kubedroom kwaiva mama.

Ndakabva ndabudawo ndikaona Ropa


naNoku vaienda kuhuni.Ndakabva
ndananga pamba paLisa.Ndakasvika
akagara hake pachivanze.Ndaida kuona
vana zvevakaita asi ndakaona kuti ndikati
ngatione zvozoita as if ndevangu
ndakasiyana nazvo.

"Lisa ndokumbirawo makeys emota


yangu plizz"ndakadaro ndakamutarisa iye
anga akatarisa zvake kuside.Ndofunga
mwana anga akarara panguva iyi.

"Asi ndini ndakamatora here Diva"


"Ropa ndiye akamatora dai....." Akabva
andikata.

"Wataura wega kuti Ropa ndiye


akamatora saka chienda kuna Ropa
wacho kwete ini Lisa"akadaro.

"Shaaa ndikutaura newe zvakanaka


wakuda kundiita rough iyi usadaro"
ndakadaro.

"Davie andina kukuita rough asi


ndakuudza chokwadi siyana neni andisi
kuda zvekutaura newe"said Lisa.

"Iyazve saka ukufunga ndotoda kutaura


newe here apa ndikungoda makeys
emota yangu chete otherwise andina
basa newe nditori nemusikana atori better
than you"ndakadaro.

"Diva ukawana time ukwane makeys


iwayo hauchatomawani zvachose,hahaha
wati musikana wako ari better than me
uchitaura Bella here rega ndinyarare"

"Lisa ndakuzokurowa manje" ndakadaro,


Mai Natty vakabva vasvika panguva iyi
ndanga ndatsamwa.Munhu ndaitaura
naye zvakanaka akuda kundiita rough
kunga anoshamisira.
"Muri kuwirirana here apo asi Davie auya
kuona vana kani" vakabvunza Mai Natty.

"Handina time yekuwesta ini ndafambira


makeys angu not zvivana izvi"ndakadaro.

"Davie usafa wakauya kwandiri uchiti


ndauya kuona vana wanzwa"

"Handife ndakauya kuvaona anditodi


kuvaona kuti ndevangu here"

"Davie ibva pano izvozvi kasika"said Mai


Natty.Ndakabva ndakaramba ndakamira
ndikaona mai Natty vakuuya
kwandiri.Vaida kundipa mbama
ndikainzvenga vakabva vadonha
pasi.Ndakavasiya ndikamhanya kuenda
kumba ndaida kumirira kudzoka kwana
Ropa.Pasina nguva ndakaona Mai Natty
vasvika vakaita kugumbuka.

"Davie handina mashoko newe ndinoti


Mwari akukomborere pazvese zvauchaita
waita hako nemashoko awaudza Lisa
nekundidonhedza kwaita" vakadaro Mai
Natty.

"Mai imimi ndakagara ndazviona mune


problem munofunga kuita mkadzi
waSabhuku zvinoshamisira"
ndakanyarara ndanzi twaaa mbama
namai vangu.

"Stop it une zera navo here Mai Naison


ava ndiwe ukuzvipa munyama wega
respect your elders wanzwa here ini
panyaya dzekunetsana kwangu namai
Natty andidi anodzipindira"vakadaro
mama.

"Mai Hakim zvaita mwana wako hazvina


kundifadza vana ava havasisina hunhu
nekuda kwako behave semunhu
akura,izvozvi Lisa akapona matwins kana
kumbouya hako kuita makorokoto
kuonawo vana"said Mai Natty.

"Aaaah Lisa kuita matwins musanyepa


ndakamuona akabata mwana umwe
wani" ndakadaro.

"Ko vakafanana nani vana vacho"


vakabvunza mai vangu.

"Iwe Mai Hakim usaita kunga mwana


mudiki unobvei ukaenda kunovaona kuti
vakafanana nani" vakadaro Mai Natty
vakabva vabuda zvavo.
Ndakaona mai vangu vaida kuenda
kunoona vana asi vaita kunga vane
chavaitya.Vakatombobuda pagate
ndikaona vadzoka.Daisy kanga karipo
kachinyora homework yake.

"Davie behave semunhu akura hona


unondishooresa neraini Lisa musiye
akadaro ko unobvei ukamusiya, asi
unomuda kani" vakadaro mama.

"Handide tsvina dzakaita saLisa haisi type


yangu, ndaida makeys angu chete
akatorwa naRopa"
"Saka enda wonetsana naRopa
akamatora not Lisa wanzwa here usiye
katsika kako kekuti munhu tsvina munhu
wese akasikwa nemufananidzo waMwari
ukadaro wakushoora Mwari" vakadaro
mama.

"Mama asi makufarira Lisa kani maitiro


enyu"

"Handimufarire asi ngatisiyane naye


azvitamburire nevana vake hutsinye
hwakashata"
Ndakasiyana navo mama vanga vakuita
kunga vakufarira Lisa.Ndakabuda
ndikaenda kunotenga kabeer
kangu.Ndikaenda kunokarovera kusango
kune kamwe kabuilding.Ndakanzwa
kunga pane vanhu ndakatarisa kuseri
kwebuilding kuona hezvo Dean ari busy
kukisana naNatty vachibatana
batana.Pavakandiona vakavhunduka
ndakaona Natty akunyara nyara
achidzikisa skirt yanga yakwirira.

"Hezvo hamutonyari vana imi" ndakadaro.

"Bro musadaro mandivhundutsa kani


haaa"

"Ko wakazotoshinga kudanana nehure iri"

"Ehe ndakazoshinga manga mati chiii"

"Uri mupfana wangu apa ukudya marutsi


aFrank munhu akararwa nguva refu
naFrank akasiiwa aita gomba"

"Diva undikwanire wanzwa, ndakagara


ndazviona kuti unorwadziwa neni
iwewe"said Natasha.

"Ndorwadziwa newe kuti une chii


choshamisira ukuda kutopa mufana
wangu chirwere iwe hure kutodza mai"
kuzodaro ndakaona Natty anhonga
dombo achida kunditema naro.Ndakatiza
kunohwanda kuseri kwemuti.Ndakaona
atora doro rangu achiri rasira pasi.

"Mkoma Davie asi zvamunoita


zvakashata saka apa matevera
kuzotivhiringa here,Natasha ndomuda
zvakadaro I don't care
nezvamunotaura"said Dean.

Ndakaona twava kuenda uyu Dean ndiye


anga akapusa.Anouya nemusikana
kusango uku achitadza kurova
makumbo.Dzungu rina Natty rikuratidza
kuti pane zviri kushota
paari.Handimushoori akadananawo
nemunhu asina ruzivo panyaya dzerudo
idzi.Ndakaenda kumba ndikaudza mama
nyaya yekwamadzibaba iye vakaramba
hanzi ngatisiyane nazvo.Mama vanga
vava nemamoods aibhowa.Ndakaenda
kumba kwaLisa ndikaona Ropa
akandimhanyisa nedemo.Ndakagumisira
ndasiyana nazvo ndikadzoka kughetto
kwangu.Ndakasvika Bella aine shamwari
yake.Shamwari yacho yakabva yaenda
pandakasvika.

"ko sei musina kuuya nemota yacho


daddy"
"Ropa aramba nemakeys emota
yangu"ndakadaro.

"Ropa upi wamai vaya vekumusoro uko


here"

"Ehe iyeye"

"Haaaa madiii kutora zvenharo"

"Anga ane team rake ana Lisa vakabata


mabhemba shaa pakaipa"

"Do you have picture raRopa racho here"


"Ehe ririmo mufoni"

"Saka zvakanaka ndisenderei ndikurida


,mota iyoyo anoidzosa saka mangwana
toenda kuChiredzi ka"

"No andisi kuda kuenda ikoko


ngatimbomira"

"Okay kana madaro no problem" said


Bella.

Ndakamubvunza pic raRopa unoda kuridii


akati mirai chete muchaona mota yenyu
yauya chete.Andina kuzombobvunzisa
hangu.

*LISA*

Davie ndanga ndamuvenga nemoyo


wese.Chero zviite sei handichafe
ndakamuregerera ndakaona kuti pese
paandiona anoda kundirwadzisa
ndoshaya ndakamutadzirei.Kana Mai
Matemba anditodi kuti vabate vana vangu
vakagona vasina kutouya kuvaona.Ropa
ndaifara aimira neni ndine nguva
dzandaimbosvika pakuchema ndakatarisa
vana vangu.Sei Mwari vakaita afanane
naDiva umwe naMai
Matemba.Chainyanya kundirwadza vana
vangu vachakura vasina kuwanawo rudo
rwababa.Ndakatozvipira kufa ndiri single
mother ndichizvichengetera vana
vangu.Ndakatoona kuti chero ndikada
kuroorwa neumwe murume apana
panozomboda ana 2.

"Mai 2 maswera sei vaswera sei vana


vangu"said Noku.
"Haaa vana vako vaswera bhoo asi
Tashia kunetsa kabva kutorara
izvozvi"ndakadaro.

"Kachadzikama kakura hako dai


kakasatodza tete vacho Daisy dzungu"

"Asi Noku why wakavenga Daisy"

"Anoda kuzviita akanyanya plus ane


dzungu"

"Dzungu ripi"

"Ngaipere magara munoda Daisy


kupfuura inini"

"Noku ndiwe munhu wandinoda zvekuti


ndikaita mari handikurase usatya"
ndakadaro.

Takataura nyaya dzakawanda nemwana


wamai vangu.Ndidzo time dzakasvikawo
Daisy.Akasvika achindipa zvake
mabanana tese naNoku.

"Wandipa nemoyo wese here apa kana


kuti wangonyara sis Lisa"said Noku.

"Ndamupa nemoyo wese"akadaro Daisy.


"Okay waita basa mufana" said Noku.

"Ini manje kuita mupfana wako"

"Ehe ndakakurira ini"said Noku.

"Usanyepa ini ndiri muhombe kwauri


ndakaudzwa namama vangu"

"Makaenzana imi makazvarwa same day


kana ndisingakanganise "ndakadaro.

"Hatina kuenzana isu saka mama vangu


vaindinyepera here"
Ana 2 vakabva vamuka ndikatanga
kuvachinja zvangu.Ndapedza ndikavapa
mukaka.

"Hesi kani Tashia ndini tete vako Daisy"


akadaro Daisy kakabva kavhunduka
kakatanga kuchema ndizvo zvakanga kari
kaTashia.

"Ana Daisy mune mavoice akakora


anotyisa ibvaipo hona vana
vakukutyai"said Noku achiseka.

"Iwe rako rinenge remombe iri kurwara"

"Wakufarisa manje nxaa"said Noku.

"Whatever"
Ndakazoona vanhu vakutotukana vana
ava ndakavashaira mupanda.Pasina
nguva vanga vakutokandirana
zvibhakera.Ndakaisa Tashia pasi
ndikanobata zvavanourayana ndiripo.

"Makufarisa manje mukaramba makadai


ndogona kukurambidzai mese kusvika
pano"ndakadaro.

"Uyu ndiye anotanga anditi ndine voice


rakakora" said Daisy.

"Futseki mhani ndiwe watanga hauna


kunditi ndine voice rinenge remombe
ikurwara"said Noku.

"Stop it mhani mukuona ndasiya vana


vangu vachichema kuuya kuzobata
vakadzi vakuru vakaita semi kurai mhani
"ndakadaro ndikaenda kunonyararidza
vana vangu.

Mazuva akafamba rimwe zuva


ndakapepuka pakati peusiku.Ameno chii
chakaita ndipepuke ndakamutsa Ropa
anga akarara.
"Ropa muka kani"

"Haaaa Lisa chiiiko newe aah"

"Ndoda tinamate asikana please ndoda


tinamate kuti zvese zvotumirwa kwatiri
zvidzoke kuvaridzi vazvo" ndakadaro.

"Yaaa shuwa ndidzo nguva dzacho oooh


chitora makeys aya usafa wakapa
kaDaisy kaya umachengetedze"

"Handikape kaya"ndakadaro ndikamatora


zvangu ndikamisa pasi pepillow.

Takapfugama tikatanga kumata


zvedu.Tapedza tikabva tarara mangwana
makuseni ndakamukira kuenda
kunochera mvura yandaida kugeza
hembe dzana 2.Ndakudzoka ndakaona
nyoka hombe ichi pfuura pakati
peroad.Ndakadonhedza bucket
ndikatanga kutiza ndichidaidzira
ndikapinda pamwe pagate hezvo
ndapinda pamba pamai Matemba.

"Ko kwakanaka kwamuri kumhanya mai2"


akabvunza Daisy ,mai Matemba vanga
vakanditarisa vachida kunzwa pane
nyaya.

"Nda .ndaa...yooohwee"
"Ko chiii nhai Mai Tashia"said Daisy.

"Ndaona nyoka hombe muroad ndichibva


kurwizi"

"Aaah maiti ndopenga pandaitiza paya


manje wazozvionerawo" vakadaro mai
Matemba.

Mai Matemba vakadaidza vanhu


vepanext door pavo tikaenda kwandaona
nyoka iya.Takasvika yauraiwa
nevakomana vanofudza mombe vaya.Mai
Matemba vakafara vakati ndiyo nyoka
yandaiona iyoyo yainditambudza pese
pandaienda kumba kwaLisa.Mai
Matemba vakatenda vakomana vanga
vauraya nyoka iya.Ndakatora bucket
ranga risina kutsemuka ndikanochera
mvura futi.Ndikasangana namai Matemba
vakati handei tese pane zvandikuda
kunotarisa pamba pako.Handina kuita
nharo takafamba asi apana aitaura
neumwe.Takasvika ndikaona mai
Matemba vakufamba famba
pachivanze.Ropa akabva abuda kugara
padoor.

"Saka vasikana imimi mukuedza


kumbodiii chaizvo nemota iyi"said mai
Matemba.

"Kubvisa maparts acho tichitengesa


munopaonawo sei" said Ropa.

"Shandai mutenge dzenyu kwete kuda


kuba ndafambira makeys pano ndipei
tione mobva mangondiratidza
nekamwana kari kunzi kakafanana
neni"vakadaro mai Matemba.

"Matauriro amaita ndiwo andibhowa


manje vana vangu handichadi nawo
mozodzoka makugona kutaura
zvakanaka" ndakadaro.
"Lisa ndiwe uri kutaura mashoko aya here
handide utodze hunhu hwamai vako vaiva
hure remakoko vari 2 namai Natty mai
vaya ndakanzwa kuti vanosvika pano
handidi kuvaona pano vakasvika
ndokudzinga" vakadaro vachicheuka
ameno vakaonei.vakamhanya kumira
paside paRopa.

"Nyoka iya haina kufa yamuka iyo iyo iyo


torai muti tiiponde"said Mai
Matemba.Ropa akasimuka akutya asi
apana chatakaona ndakabva ndaziva kuti
vaiona zvavo vega.Vakabva vatanga
kumhanya vachitevedza road
vakapfuurira pamba pavo.Ropa
akakuwara nekuseka.Ndakaona vananga
kumba kwedu vakasvika kumira paside
naMai Gift.

_sei Mai Matemba vachiona zvinhu zvavo


vega_

_Ringava grudge rei riri pakati pevakadzi


vatatu ava_
*Watch out for chapter 31*
[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/C6IWUlAM4X
HKbfP7JwJZBP

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587
*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 31*

*NATASHA*

Patakasvikirwa naDavie tiri musango


ndakanyara andidi kunyepa.Asi mashoko
akazotaura ndiwo akandibhowa.Ndaitoda
kumutema nedombo akapona
nekutiza.Dean akanditora tikaenda zvedu
kunogara kurwizi tichitaura nyaya.

"Natty tell me wakarara naFrank


kangani"akabvunza Dean.

"Dean ngatimire kutaura nyaya dzema ex


hadziite" ndakadaro.

"Natty pindura zvandabvunza asi Frank


wako waimuvhurira pawadira asi ini
ndo...."ndakamukata.
"Dean usanditsamwira kusava virgin
hazvirevi wakufana kurara neni
pawadira"ndakadaro.

"Watadza kupindura zvandabvunza uri


kutsvenga mubvunzo wangu kureva
zvataura Diva ichokwadi kuti wakarara
naFrank kakawanda it's okay"said Dean
achisimuka.Ndakaona kuti anga
atsamwa.Akabva atanga kufamba
achienda achindisiya ndega.Ndakatanga
kubuda musodzi ndakamutarisa
achifamba.Dean ndaimuda nemoyo
wangu wese.Frank ndakarara naye ka2
asi ndakaona kuti ndikamuudza
aizotsamwa akatadza kutaura
neni.Ndakatevera mumashure
ndikanomubata tava kumain road.

"Daddy sorry kani"

"Natty siyana neni ndazviona haundide


watadza kupindura zvandabvunza
zvatondiratidza something"said Dean.

"Ndakarara naye ka2 chete sorry"

"Ok" ndizvo zvega zvakataura akabva


anyarara.

"Dean sorry kani"ndakadaro.


"Ok"

Ndakaona kuti kuomesera kwandaiita


Dean kwanga kwakundipinza
pama1.Ndaitya kuti ndikarara naye
anozondiramba zvakandiita Frank.

"Dean ndorara newe kwacho"

"Natty handina kumboti ndinoda kurara


newe okay zvapera kungoti
zvangondibhowa hangu"said Dean.
Takaenda kumba ndanga ndakufara
Dean anga andiregerera.Diva ndakaona
panga pane mission yake aida ndirambwe
naDean chete.Ndakasvika kumba mama
vanga varipo zvavo vakabata photo
abulm ravo ranga rine mapikicha avo
ekare vari vatatu namai Matemba naMai
Lisa vachiri vasikana.Anga akawanda nde
amama namai Lisa ndakambomaona
hangu.

"Ko uri kubvepi Natty ndasvika kwaLisa


wanga usiko"vakabvunza mama.

"Ndanga ndambosvika parwizi apo ndiko


kwandanga ndakagara"

"Kugara nani naDean here"

"Mama zvamunondifungira azvisizvo


Dean uyo anditorina basa naye"

Mama vakabva vavhara abulm ravo


vakaendesa mumba.Zuva iri mama vanga
vari low low vaita kunga pane
zvavaifunga.Ndakaedza kuvabvunza
vakati vari bhoo zvavo.

"Mama tell me kani hamusi okay imi"


ndakadaro.
"Natty unoda ndikwire pagomo ndiite
zvekudaidzira here kuti unzwe"

"Asi ka okay mama regai ndimbosvika


kuona ana 2"ndakadaro.

"Okay enda ukurumidze kudzoka"

Ndakaenda kumba kwaLisa ndikasvika


achiyamwisa vana vake.Ropa anga
akagara pabucket achitsetsa
mapotatoes.Akapedza akaisa pamoto
zvake.
"Natty uri sei" said Ropa.

"Unobhaiza Ropa hauna kuzondikavha


ma1 moms yazobvunza kuti wanga uripi
ndasvika kwaLisa usipo"ndakadaro.

"Haaa ndakukavha namai 2 iwe pamwe


vaida kukufeya"said Ropa.

"Pane anogona kudriver here timbomutsa


mota iyo"vakabvunza Mai 2.

"Ehe ini ndogona ndipei makey acho apa


tatopinda"akadaro Ropa achiseka.
Akapihwa makey Ropa akamuitsa
akatanga kuifambisa.Mai 2 vakatora
vakatora vana vavo vakaisa
mumota.Takapinda mota ikarohwa
naRopa.Takasvika kuground tikatanga
kudzidziswa kudriver naRopa.

"Mota yakanaka iyi guys ummmm"said


Lisa.

"Ndiyo yaivhaira naDiva kughetto"said


Ropa.

"Manje musamupa makeys acho please"


ndakadaro.

Ropa akatanga kurova mota tikanosiya


Mai 2 pamba sezvo vaiti vakuda
kugezesa vana nekudya.Isu takatanga
kufamba nemota music
ichiputiswa.Takasvika pamba paMai
Matemba ,Ropa akaridza huta ndakaona
mai Matemba vabuda.

"One asara muri kuenda here amai kwirai


tiende" ndakadaro ndakabudisa musoro
nepawindow.Ropa akatanga kuseka ivo
Mai Matemba vakaramba vakanyarara
vakanditarisa.
Takaneta nayo zuva iri tikazodzoka
kuipaka payanga iri.Ropa akapa Lisa
makeys acho ndiye aigara nawo.

*LISA*

Mazuva akafamba vana vangu vaiva


vatano ndainamata protection.Apana
zuva randaijamba kunamata kana
kuverenga bible.Ndanga ndakurota rota
mazuva aya.Zvandarota ndaiudza Mai
Natty ndivo vaidudzira hope dzangu.Last
time ndakarota ini naRopa tichicrosser
Save rwizi.Ropa akatanga kunyura
zvishoma nezvishoma ndakamubata kuti
asanyura ndipo
pandakapepuka.Takanamata zuva iri uyu
Tashia haana kumira
kunetsa.Ndakambofunga kuti pamwe ari
kuchema kuda kuona baba vake
ameno.Aida kugara akabatwa ukamuisa
pasi aitanga kuchema.Daisy akasvika
mangwana makuseni acho
akachena.Daisy agara kuchena aichena
anga ari smart kutodza mai vake Mai
Matemba.Mai Matemba ndovaziva hangu
havadi zveutsvina ndipo pandavaibhiga
chete.
"Manwiro andaita mvura nhasi kubva
kuseni ndofunga mudumbu mangu mune
munhu ari kuwacha chete"said Daisy ari
kuseka.

"Watanga haaa iwewe so hauna


kukwana" ndakadaro ndichiseka.Ropa
anga akuita kubuda musodzi nekuseka.

"Guys mama vangu vanyarara mazuvano


vari kundibvunza kuti wasiya vari sei vana
vaLisa" said Daisy.
"Hooo vanodii kuuya kuvaona vana
vacho"said Ropa.

"Hanzi pane nyoka pano ndikufara


mkoma Hakim next month vakuuya
vafona nhasi pavanzwa kuti mai 2 vane
vana vafara kani" said Daisy.

"Really zvakanaka tovaona


vasvika"ndakadaro.

"Mkoma Dean vachauya nefoni manheru


kuti mutaure namkoma Hakim ndizvo
zvavataura"
"Okay tete vangu"

"Uyu haasi tete vako Lisa asi kuti


munin'ina wako" said Ropa.

"Ropa watanga inhodzerwa idzi haasi


mufana wangu asi nditete"

"Mai 2 hauzvioni kuti uyu kubva afanana


namai vako here zvese neutsvuku
hwacho Mai Matemba vanofana kutaura
zvakavakaita, pafunge pavanouya pano
sei vachiona zvinhu zvavo vega" said
Ropa.
"Nyaya iyi ngaipere sis" ndakadaro.

Ndakaona kuti hazviite titaure nyaya iyi


Daisy aripo.Daisy wacho ndakamuona
ane zvaida kutaura asi akaramba
kanyarara.Noku akabva asvika achidya
zvake chingwa.

"Asi Noku watadza kudya wakagara pasi


here hahaha iwewe ka"ndakadaro.

"Haaa achiri mwana regai adaro"said


Daisy.

"Mwana ndiani siyana neni andina


kumbotaura newe ndauya kuona vana
vangu"said Noku.

Noku akapinda mumba akamutsa vana


vakatanga kuchema.Akasimudza Tashley
kakabva kanyarara Daisy akasimudza
Tashia asi hakana kunyarara.Tashia
ndaikaziva kanonetsa.Ndakakabata
ndikakapa mukaka ndiko kunyarara
kwakakazoita.

"Daisy hauna ropa revana hona ini


pandabata Tashley abva anyarara"said
Noku.
"Ndine ropa revanhu vakuru ndonyaradza
vanhu vakuru vakaita semi"said Daisy.

"Daisy ndakuudza here kuti mufesi uya


akudanana naFaith Majokota"said Noku.

"Mufesi upi iyeye"

"Wawaida uya Given"said Noku.

"Futseki ini apana mkomana wandoda


ndiwe unomuda"

"Saka ukunditukirei nhai mukuona sis


ndiye anonditanga"said Noku.

"Lisa usapindira siya vapedzerani


vapfana ava vanozviitisa mira uone
vakaramba vachidai ndoda kuvarova
vese" akadaro Ropa.

"Sis Ropa mune shuwa kuda kurova


mupfana wenyu here aaah mune
hutsinye"said Noku.Ndakaona Daisy
abata ruoko rwaNoku vakabuda
vese.Ameno nekwaiendwa ndakaramba
ndakavatarisa.Ndakatarisa ndikaona
hezvo vakuseka vachitinongedza.

"Lisa wazviona vapfana ava vanozviitisa


ukaona vachinyepera kuvhiringika vanoda
kurova"

"Zvikundishamisa vakatanga kuwirirana


rini vanhu avo"

"Vanhu avo vanoti vakambowirirana


vombonetsana vakarwa usabata vanyatsa
kurovana vazozivana kuti mukuru
ndiani"said Ropa.

Mazuva akafamba vana vangu vaikura


zvinoyevedza.Hakim ndakataura naye
pafoni ndakafara akandiita
makorokoto.Akati ari kuuya next month
pakati pemwedzi.Mkadzi wake ndiye
wandakanyanya kutaura nguva yakareba
akanditi mainini ndokutengerai
chii.Ndakangoti chero ko ndaizoti chiii
hangu.Maiguru Lean vanga vari munhu
ari bhoo.

Mai Matemba vanga vasingachanyanyi


kubatika Daisy aiti mai vake vainge
vakurwara rwara.Ndakatakura vana
vangu ndikaenda kunovaona
zvangu.Tasvika Tashia akatanga
kuchema mwana uyu ka.Mai Matemba
vakaramba vakatarisa vana.Vakabata
Tashia kakabva kanyarara
zvako.Ndakaona mai Matemba
vakuyeredza musodzi vakatarisa vana
vangu.Iko kaTashia kacho kuzodzikama
kani.Pasina nguva Noku naDaisy vakabva
vapinda.Noku akamira padoor akabatwa
naDaisy ndakaona aitya mai Matemba.

"Noku usatya kani apana


zvavanokuita"said Daisy.Noku akabva
agara paside pangu ari zii.Mai Matemba
vanga vakatarisa vana
vangu.Ndakazoona varamba vakatarisa
Noku.

"Vana vako vakanaka uyo kubva anyatsa


kufanana naDavie chaiye uyu ndini
chaiye" vakadaro Mai Matemba
vachinyemwerera.
"Tashia uyu anonetsa iiih uyo mkomana
haanetsi"ndakadaro.

"Ndozvinoita vana vari vadiki Davie ari


mudiki haana kubvira ambonetsa
hake"said Mai Matemba.

"Asi mama Tashia kubva afanana nemi


moramba here kuti havasi vana vamkoma
Diva"said Daisy.

"Vana vemusha uno Mwari


andiregerere"said Mai Matemba.Ndaiona
kunyara kwambuya vana 2 mumaziso
avo.

"Saka mama makubvuma kuti vana


vaDavie imi maiti vana vaVhunai ndafara
kuti mazovaona mega ndipo paiva
nechishuwo changu kuti muone vana
ava"said Daisy.

Mai Matemba vakaramba vakanyarara


vakabata Tashia.Ndakaona vasimuka
vakakabereka Mai ava ka.Ndaifunga
vachakumbira ruregerero pane zvese
zvavakandiita asi havana.Ndakaramba
ndakanyarara ndakafunga mashoko amai
Natty vachiti be humble ukaona mai
Matemba usavaita coward vamhorese
samai vako.

"Lisa ndiperekedze kumashops"said Mai


Matemba.Ndakabereka Tashley tikaenda
kumashops.Ndakaona ndatengerwa
grocery zvakaita sana drink nana flour
zvaiwa zvisina kuwanda hazvo asi
ndakavatenda.

"Lisa ndoda ugare neni nevazukuru


vangu"

"Hazviite ndogara pamba pandiri muchida


kuona vazukuru venyu ndouya nawo kana
kuti mouyawo muchivaona"
ndakadaro.Vaifunga ndakapusa
vakundida nekuti ndane vana ndiine
nhumbu vaindiona kunga tsvina.Ndaitoda
kutanga zvinhu zvangu ndega.Vana
handivarambidze kuona vanofana kukura
vachizivawo hama dzavo.

"kuti ndiende pamba pako hazviite


ndorumwa nenyoka dziya"

"Apana nyoka inombokurumai mama


munouya" ndakadaro.

Takasvika pamba pamai Matemba Daisy


naNoku vari kumhanyisana.Vanhu ava
vanga vazopindirana.Ndakaona Gogo
vana 2 vaida kutaura something asi
vakaramba vakanyarara.Ndakazobatsirwa
saga naNoku naDaisy.

Mai Matemba vanga vakunyara nyara


ndaizviona hangu.Vakandipa mwana
ndikaenda kumba ndikasvika
kunombonwa drink nechingwa
zvandatengerwa.Ndapedza Ropa naNatty
vakasvika ndikavaudzawo mashura asi
vese vakandishoora zvinova
zvakandibhowa.

"Lisa apa waita chibharanzi zvakuita


kunga wakunyengerera mai Matemba
siyana navo avo unoda kuvadii"said
Ropa.

"Besty Lisa mukuona zvikuitika apa


vakuda vana venyu kwete imi
musabvuma kuitiswa dai vaida kuona
vazukuru vauya vega kuvaona kwete imi
kuenda kunovaratidza"said natty.

"Zvamuri kutaura ndazvinzwa asi zivai


kuti Mai Matemba kundituka kwavaiita
akusi kuda kwavo asi mweya yetsvina
yanga yakavagara izvozvi vakuzvituka
nezvinhu zvavaiita "ndakadaro.
Havana kuda kuzoita nharo vakabva
vanyarara zvavo.Nekuti kazhinji kacho
ukada kundipikisa uchiita unoziva ndobva
ndanyarara andikudaire.

_drop yours comments_

*Watch out for chapter 32*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/C6IWUlAM4X
HKbfP7JwJZBP

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*CHAPTER 32*

*DAVIE*

"Saka sei usina kumbondiudza


wakambodanana naRopa"akabvunza
Bella.
"Zvine basa here izvo sei uchida
kubvunza zvinhu zvakapera
kudhara"ndakadaro.

"Zvine basa but zvakashata I hate that girl


hangu,daddy ndokumbirawo mari
yekurukwa"akadaro Bella.

"Bella handina mari yekukupa kuti


unorukwa ndoiwanepi basa rangu
rakapera ndikutotarisawo kuwana
mapiece jobs"

"Uri careless Diva basa kupera


pacompany paya apana munhu aiziva
zvemagetsi kukupfuura haaa
ndakakuudza une munyama unoda
kubviswa ukaita nharo"

"Andina kuita nharo andina munyama asi


kungoti ukaona zvinhu zvadai zvakuda
kunaka"ndakadaro.

"Ko nezuro pawakabuda hauna kundoita


mapiece jobs here aaah ini ndaneta
nekudya machunks nematemba
zvogumisira zvakufinha"said Bella.

"Bella tambira zviripo kana zvepano


zvanetsa tora mabag ako uende
handikunyengereri wagara unoshoora"

"Hezvo watotsamwa ko
ndakambokushoora papi" akabvunza
Bella.

"Zvinhu zvingani zvandakakutengera


heee foni hauna kupa zvikomba zvako
here hembe futi handichataure"
ndakadaro ndanga ndatsamwa.Bella
ndiye munhu akadya mari yangu
yakawanda asi akundishoora ndizvo
zvandanga ndisingadi.Chero akaenda
andisisina basa nazvo vasikana vagara
vanonetsa havagutsikane.Mazuva aya
zvinhu zvanga zvakandiomera panyaya
dzemari nekuti mapiece jobs aisabatika
zvekumhanya.Ndanga ndakuswera ndiri
pamba Bella ndiye aingobuda buda
pamba.Ndaitofunga kutengesa masofa ari
mumba mangu ndiwanewo kamari
kekubhadhara magetsi nemvura nekuti
ndanga ndapa ma1.Ndakabuda
ndikaenda kunogara pachimwe chicorna
panga pane marasta vairowa
manje.Ndakatanga kudzirowa zvangu
kaisava kekutanga kudzirova
hangu.Ndakadzirova ndikaona ndava
mulevel rangu ndega.Ndakabva
ndambosvika pamba paDonny anga abva
kubasa.

"King Diva mukuita sei"said Donny.


"Apana zvakadhakwa shaa tava marovha
tingaita sei"ndakadaro.

"Haaaa sorry zvowanikwa kutotamba iri


kurira haa nhasi paita zibreakdown
pacrane iya iwe tanetseka"said Donny.

"Crane iya ndoziva problem yacho pane


maparts asingachanyatsi kushanda bhoo
panoda kutenga manyowani kana ndisipo
haimbonaki"ndakadaro ndichiseka.

"Manje ndazoisota yanaka iyo"


"Ndakakusiira mablessings angu,
chimbondionawo kamari kebeer"
ndakadaro.

"Hahaha mari yebeer andina sorry hako"

"Ana Donny magara munonyima haaa


ndakakuona uri mumero iwewe ndimi
makaita ndidzingwe basa kuti musare
muchionekwa kunga munogona imi
musingazive"

"Handiite nharo nemunhu akatovharwa


nechamba ehe unoziva tazvinzwa
chienda"said Donny.

Ndakaona kuti ndikaramba ndipamba apa


ndaizogumisira ndamurova
ndikamukuvadza.Ndivo vana Donny
vakandidzingisa basa akuna umwe.Manje
achafa ari bhachura asina mkadzi
achidyiwa mari namai vake.Ndakaenda
kumba ndikasvika Bella achibika
ndikanzwa kasmell
kandakafarira.Ndakaona aibika beef
ndakashaya mari yacho aiwanepi.

"Ko mari waina kupi Bella ,asi wainhonga


kani" ndakabvunza.
"Usafunga kuti iwewe ukashaya mari
neniwo ndoshaya wanzwa here I hate
munhu ane dzungu nxaaa" akadaro Bella
achipopota.

Ndakaramba ndakanyarara ndikanogara


pasofa ndichiona zvangu ZTV yaibuda
yefree.Ko mari yekujusa DSTV ndanga
ndichaiwana kupi.Bella akauya nechikafu
ndikadya ndiri zii nyama ndanga
ndaisuwa zvangu.Tapedza akarongedza
mandiro akaenda
kubedroom.Ndakasimuka ndikatevera
ndikaona munhu akapfeka zviri sexy
zvaimutsa zvimwe zvinhu.Ndanga
ndakamutsamwira asi ndakazviisa paside
ndikaenda paari tikatanga kuita romance
pakuti ndirare naye yakabva
yarara.Munoziva ndakapera simba
ndichiona izvi.Ndakaedza kuti imuke
ikaramba.Bella akatsamwa akabva arara
akafutisa matama.Ndakafunga kuti
pamwe yairara pana Bella
chete.Ndakaenda kumba kwehure rimwe
ikatadza kumuka futi.Ndakatanga
kunetseka kuti chiii chakuitika
pandiri.Ndakadzoka kumba nditori
nestress ndikasvika Bella
akatsamwa.Takaedza futi asi zvikaramba.

"NdiRopa chete akugadzira mira ndoda


kupedzerana naye chete"
"Aaah what ndiRopa haaa mira uyu ndiye
ari kuzofira mumaoko angu" ndakadaro
ndatsamwa.

"Newewo kupusa kudanana nana Ropa


chiona zvawaitwa haaa mwana uya
ka"said Bella.

Ndakaudzawo team rangu randaibhema


naro rikati wakagadzirwa chete.Ndakaziva
kuti ndiRopa uyu ndaida kumurova
chaiko.Ndaida kutoenda kumusha asi
mari yanga isipo yebus.
"Ras Fidza ndionewo 10bucks"
ndakadaro.

"Shamwari anditorina kana chinhu


ndikutobhemeswavo naKedha uyu"

"Uchida mari shanda pasi pano apana


chemahara zuva chete ndore mahara
ukapusa unorimiswa mutara"said Kedha.

"Uri kumboti chiii Kedha kurimiswa


mutara nani" ndakabvunza.
"Haaa ndati unaona kumhanya
makarimwa" said Kedha.

"Ari kutomhanya makarimwa mupfana


uyu murume waBella" said Ras Fidza
akatanga kubvaruka nekuseka vese
naRas.

"Pane pakudiwa dhaga boy kumabuilder


ari kuvaka pamba paShuroyaonda paside
nepapolice uko"said Kedha.

"Mukuona zvandiri ndakafitwa kuita


dhaga boy here"

"King Diva munoziva chinonzi kutsvaga


mari here munotofana kupinda yese yese
kana chihwindi chaicho kuti mari ibude
zvasiyana nekugara"said Ras Fidza.

Ndakaona kuti Ras Fidza aitaura


chokwadi.Ndakabva ndaenda kune
mabuilder vacho vakandiudza mari
yacho.Ndaisanganisa cement neivhu
rimwe so zvekuvaka handizvigoni asi
ndakaudzwa masanganisiro andofana
kuita.Takarova basa sebasa takaita week
tichiita basa.Tapedza zvikanzi
naVaShuroyaonda munouya muchitora
mari mangwana makuseni ndabva
kubank.Ndakaenda kumba ndichifara
zvisingaite nekuti yanga yakawandawo.

"Mangwana ndokurukisa zvaunoda ,enda


unokwereta bhurera paMai Magitaso"
ndakadaro.

"Shuwa here daddy ndokugona


uku,"akadaro achienda
akakwereta.Rakagadzirwa rikasotwa
takadya riri rice nedrink randanga
ndakwereta futi pashop.Takarara
takazvimbirwa zuva iri.Makuseni
ndakamukira kunotora mari.
"Mari ndapa vamwe venyu vabva pano
nguva yapera"

"Okay maita basa regai ndinovaona"


ndakadaro.

Ndakaenda kumba kwemabuilder aya asi


andina kuvaona zvikanzi avagari kuno
vanobva Masvingo avo vatodzoka
pavapedza basa ravo.Ndakafunga kuti
ndainyeperwa ndakaenda kunobvunza
ana Fidza vakati havanyatsi kuziva zvema
builders ava.Ndakadzoka kumba
kwaVaShuroyaonda ndikataura nyaya
yangu vakandituka vakati ndakupai mari
yenyu musada kundiita benzi.Ndakaedza
kutsanangura asi zvakashaya basa
ndakatanga kudikitira panguva iyi.Ko
zvinhu zvakandakakwereta ndoita sei
nhai.Apa ndarohwa chadonha mughetto
ndaizviti King wemughetto asi
ndazovharwa masikati
machena.Ndakadzoka kumba face
yakarembera pasi ndikasvika Mai
Magitaso vakamirira mari yavo.

"Magona mauya ndanga ndauya kumari


iya ndoda kutobhadhara magetsi angu
izvozvi"said Mai Magitaso.
"mari yenyu ndokupai mangwana mai
Magitaso munhu wandanga ndakatarisira
kuti achandipa mari yangu haana
kuzondipa" ndakadaro ndakaona kuti
ndikataura chokwadi vaizoti ndonyepa.

"Diva wakatanga rini kunyepa iwewe


ndakakuona waishanda kwShuroyaonda
uko mukapihwa mari dzenyu asi
musadaro uri munhu wekuziva" vakadaro
Mai Magitaso.

"Sorry mama I promise mangwana


ndokupai"

"Asi wandibhowa okay makuseni ndouya


kumari yangu pasina izvozvo topedzerana
ini andivharwe chinhu nevana vakaita
semi" vakadaro vakabva vabuda.

Bella akaedza kundibvunza chainetsa asi


ndaitova nestress ndakamuudza zvaitika
zvese.Akandituka panzvimbo yekuti
andisimbise ndakabva ndamurova.

"Handingagarire matsvina akadai


kurohwa nerombe rakaita sewe nxaaa
unoshamisirei apa chinhu chako chakafa
futi regai ndiende"said Bella akabva atora
mabags ake akabva arova
pasi.Ndakafunga kuti zvimwe akutamba
ndikaona ari serious.Zuva iri ndakabuda
musodzi kana kubika andina stress yanga
yandibaya pamoyo chaipo.Mangwana
ndakamukira kunotsvaga zvekuita asi
njuga dzanga dzakarema.Ndakadzoka
pamba ndikaona Mai Magitaso vasvika
vaine murume wavo ndikaona kuti
apasisina kumira mushe.

"Ndauya Diva kumari iya" vakadaro


pasina kana kumbomhoresana.Murume
wacho akaramba
akanditarisa.Ndakapfugama pamberi
pavo ndikataura zvekuvharwa mari
kwandakaitwa nekurambwa naBella
ndaitira vandinzwirewo tsitsi.Andina
kuziva kuti zvandakataura zvakarwadza
baba Magitaso ndakaona vandibata Colla
vachiti usada kuvhara mkadzi wangu tipe
mari kana kudzosa huku yacho.

"Musandidaro mirai ndifonere mkoma


vangu vanotumira
ndokupai"ndakadaro.Ndakabudisa foni
yangu asi number dzacho
dzairamba.Ndakanzi twaaa mbama
zvikanzi ukada kutamba nepfungwa
dzedu ka iwe.
*NOKU*

Ndanga ndakuwirirana naDaisy zvekuti


tanga takuenda tese kuchikoro.Tanga
takuzviita matwins sezvo vanhu vaiti
takafanana.Mai Gift vakatanga
vachambotuka Daisy paisvika pamba asi
vakagumisira vasiyana nazvo nekuti
Daisy wacho
aisambokendenga.Kuwirirana kwedu
akuna kufarirwa namai
Matemba.Vakaedza kumbondituka
vachindidzinga pamba pavo asi
ndairamba ndichisvikapo vakagumisira
vasiyana nazvo.

"Twin saka nhasi toita sei moms yangu


mazuvano ameno chiii ikurwara rwara
apa apana mari yekuvaendesa
kuchipatara zvikundirwadza"said Daisy.

"Sorry ko mkoma Hakim havana kutumira


mari here"ndakabvunza.

"Havana vari kuuya pakati pemwedzi avo"


"Usatya twin tovanamatira vanopora"
ndakadaro.

"Okay twin asi kutaura chokwadi


zvinoitwa naRopa naNatty vachiwanzira
mai vangu handizvifarire hangu how do
feel kutukirwa mai vako uripo kana ari
saNatty ngadzikame andide muroora
asina hunhu"said Daisy.

"Ndivana sis vangu avo ini andina simba


rekuvatsiura vanondirova asi wataura
chokwadi zvobhowa udza mkoma Dean
vadzikamise Natty ,uyo Ropa ndoudza sis
Lisa ndivo vanozotaura naye"

"Apa wataura twin ndichamuudza Dean


wacho"

Takaenda kurwizi tikatanga kudhidha


tichimhanyisana kurwizi.Takadzoka
kumba tikaenda kunotamba nana 2.Sis
Ropa vanga vasipo vanga
vachambosiyana naNatty here.Sis Lisa
ndakaona kuti vaisafarira zvekufamba
vaiswera vakagara pamba nevana
vavo.Takavaudza nyaya iya vakati siyanai
nazvo ko mukanyarara
munobvei.Takabva tasiyana nazvo asi
ndaiziva sis vachataura navo Ropa
naNatty.Ndakaperekedza Daisy kumba
kwavo ndikamusiira pagate.

"Saka mangwana wakuenda kuchikoro


usandisiyawo ka" ndakadaro.

"Handikusiye twin"

Mazuva akafamba Mai Matemba


ndakaona vanga vakuda sis
vangu.Ndakazviona hangu kuti
vainyepera kuda sis vangu kuitira Hakim
akasvika voita kunga vanowirirana.Sis
Lisa vanga vari zii vaisambotaura asi
ndakafara pavakaramba kugara nambuya
Matemba ava.Mai Matemba
ndaisavafarira kana ka1 asi ndina Daisy
ndaisambozviratidza hangu.Hazvingoite
kutaura zvakaipa zvamai vake iye aripo.

Paweekend takanoswera kumba kwasis


Lisa tichitamba nana Tashy.Tashley
hazvibvunzwe kubva atodza baba vake
ari saTashia andichataure kufanana
naGogo vacho.Pasina nguva takaona
mota imwe yakanaka chaizvo zvekuti
yaDiva haisvike.Mota iyi yakasvika kumira
pagate paMai Matemba pakaridzwa
huta.Ndakaona Daisy akabva patiri ari
mufull speed achiti mkoma vangu
vauya.Daisy akasvika kujambira maiguru
vake Lean vakamboita nguva
vakadaro.Akazokwazisa mkoma vake
taizviona hedu tiri kumba kwasis
vangu.Hakim asati apinda mugate
ndakaona akuuya naDaisy kwataiva
akasvika kubata vana.Ndakaona
akunyemwerera achibudisa
musodzi.Paakandiona akabva aramba
akanditarisa kunga aindifananidza.

"Muri sei mainini Lisa sorry nekunonoka


kusvika kwangu"said Hakim.
"Ndiri nani haaa ndakatsamwa ini"said
Lisa achiseka hake.

"Ko uyu ndiani ndiye Noku here"said


Hakim achireva ini.

"Hezvo bamukuru Hakim hamuchatozive


Noku here ndiye uyu"

"What" said Hakim


_ko Diva achaita sei uko nezvikwereti
zvake_

_Ko Hakim ashamisika chiii apo_

*Watch out for chapter 33*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*
https://chat.whatsapp.com/C6IWUlAM4X
HKbfP7JwJZBP

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 33*
*DIVA*

Baba Magitaso ndakaona vanga


vagumbuka vaifunga ndikutamba
nepfungwa dzemkadzi wavo.Ndakaona
kuti apa ndikapusa ndinonyura ndakavati
ndipe 2hours mari yenyu ndouya
nayo.Vakabvuma zvavo ndakaenda
kunotengesa foni yangu.Ndakaitengesa
ndikawana kamari kari nani.Ndakaenda
kunopa mai Magitaso mari yavo imwe
yacho ndikabhadhara chirwereti
chedrink.Change yakasara ndakanotenga
chamba ndikanochimona ndakagara
pamba pangu.Ndakatanga kuchirova.

Ndakachirova kusvika ndava mulevel


ndikabuda kuenda kunogara kwaiswera
ana Ras Fidza.Takaswera takagara
pachicorna tichirova chamba.

"King Diva ndikuda room ndine kamwe


kamai kandikuda kuvharira,paden pangu
panomakisa kusvika"said Kedha.

"Ana Kedha nyaya dzenyu dzekuda


vakadzi muchakurumidza kutisiya imi"said
Ras Fidza.

"Haaa akuna munhu asingade shaa, ko


mota yako Diva iripi handichaoni
mazuvano"akabvunza Kedha.

"Ndakaisiya kumusha mafia yakafa iyo


andina mari yekuigadzirisa"ndakadaro.

Takatanga kufamba zvedu Kedha


akanotora chibabe chake akanochivharira
pamba pangu.Achibuda zvikanzi mwana
anoziva zvaanoita.Masikati ndakaenda
pamba pangu ndikasvika magetsi adzima
kuratidza kuti apera.Ndanga ndisina kana
mari kandanga ndinako kashoma ndaida
kutombopisa pahuro.Ndakabuda
ndikanotenga kasadza kangu pane
vamwe vaibika.Ndapedza ndikaenda
kubhawa ndikatenga beer ndikatanga
kunwa zvangu.Ndakanwa kusvika
ndapera naro rakunditonga.

"Ndiani anondimamisa muno ane nharo


ngaamire apa"ndakadaro ndakaita kupera
ndisiri kugona kumira.

"Vapfana vemazuvano amuchagoni


kunwa tikuzviona hedu" akadaro umwe
mudhara anga ane mhanza.
"Iwe mudhara haikona kutaura
wakahwanda kana uchida maoko neni
huya apa" ndakadaro.

"Mupfana iwe nyarara ukuziva munhu


wakutaura naye here" akadaro umwe
mupfana airatidza kuti ndewe chidiki anga
akagara pedyo nemudhara wemhanza.

"Andina kana basa nazvo inini


Mayweather anotondiziva kuti andina
kumira mushe ndichiri kurangarira rimwe
gore ndasvika ari kutraining takapihwa
space ndikamupa chibhakera chimwe
vhete akabva ati ziii ,saka
handivhunditswe nemapete aya"
ndakadaro ndakanongedza mudhara
wemhanza uya.Akaramba akanyarara
achinwa beer rake.Ndakaenda paari
ndikamubata ruoko ameno akandipusha
sei ndakaona ndava pasi.Anga abatwa
neteam rake ndakasimuka
nehasha.Ndakaedza kuenda paari
ndikabatwa nevamwe vanhu.

"Musandibate ndomukuvadza munhu


uyu" ndakadaro.Ndakaita nharo
ndakaona mudhara wemhanza uya
akubuda hake.Anga anditya andide
zvekujairirwa nemapete
akadai.Ndakabuda ndikatanga
kudzedzereka ndichienda
kumba.Ndakasvika nekurara pasofa
kufuma kuedze.Ndakamuka ndiine nzara
apa ndanga ndisina kana mari yekujusa
magetsi apa ndaida kubhadhara mvura
futi.Ndakatora TV yangu plasma
ndikanotengesa iri ndakaridhurisa
ndikatenga magetsi nemvura
zvese.Ndakasara nemari yakawanda
chaizvo.Ndakudzoka ndikaona mudhara
wemhanza uyu aitraina vamwe vanhu
martial arts.Munoziva ndakavhura ziso
haa Mwari vaneni vakagona vanhu
vakabata ndaida kufira mumaoko emunhu
uyu.
Ndakanotenga mabeer netumbanje
twangu team rangu ana Ras Fidza
naKedha vakauya tikazvirova.Zuva iri
takaswera tiri mulevel redu tega.

"Mupfana anonzi Donny takanzwa kuti


akatenga mota wakazvinzwa here King
Diva"akadaro Ras Fidza.

"Kutenga mota kupiko haisi yake ndeye


company iyo" ndakadaro.

"Usanyepa iwe haisi yecompany


takanzwa nevamwe vanopinda naye
church vakati akapupura kumberi nechipo
chemota"said Ras Fidza.
"Hooo saka zvakarongeka asi mupfana
iyeye akaomera pamari apa" ndakadaro.

"Haaaa iwe munhu uya kunyima too


much"said kedha.

"Haana skiri apa ibhachura acharara


nemota iyoyo ndiyo ichamuitira vana"
ndakadaro ndichiseka.

"Guys sei mazuvano mabbe vachida mari


too much ndakazorambana nekamwe futi
nenyaya yekuda kundidya mari, ko variko
here vasikana vanodawo mkomana zvaari
chero asina mari" akadaro Kedha.
"Bby rinoda mkomana asina mari
unoriwana muma movie eku Nigeria not
this world wangu work hard udyiwe
unyerere"said Ras Fidza.

"Asi apa wataura fair Ras"ndakadaro


ndichiseka

"Haaa zvakwana iwewe Kedha wati


mangwana ukuenda Gweru wairevesa
here"akabvunza Ras Fidza.

"Ehe inga ndakuudza tetez yangu


yashaya ndaifana kuenda nhasi"said
Kedha.
"Sorry hako,Diva paita graft mudhara
Shuroyaonda ane kombi yake ari
kutsvaga driver saka ndataura naye kuti
ndodriver ndikati ndotora iwewe saHwindi
wangu unoda here"akadaro Ras Fidza.

"Ehe shaa as long zvichiunza mari".

"Zvine mari tombopota tichigura


waiziya"said Ras Fidza.

Takafamba tichiperekedza
Kedha.Takazoona mudhara Shuroyaonda
tikabvumirana navo pamari zvikanzi
motanga mangwana.Makuseni takanotora
combi ndikamira padoor ndichadaidzira.

"Hande mama muri kuenda here"

"Ehe ndikuenda" vakadaro vakabva


vapinda.Takatenderera tichitsvaga vanhu.

"Munhu one asara handei handei"


ndaidadzira pamwe pacho ndichiridza
muridzo.Combi yakasvika pakuzara asi
ndaisaziva kuti Ras Fidza vanobata combi
zvakadaro ndakaona vanhu vanga
vabatira hana mumaoko.Vanhu
vakatanga kubhadhara ndikaona panga
pane vanhu 2 vasina kubhadhara.

"Ehhhh vasati vabhadhara ndipei


tione"ndakadaro.Ndakaona mari yava
kuuya ndikaverenga ndikaona
yakwana.Vaifunga handizive maths
ndakafunda ini.Vamwe vanofunga kuti
kuita hwindi chibharanzi kushaya
zvekuita.Musazvinyepera atoriko
mahwindi akafunda atori nemadegree asi
mabasa haasi kuwanikwa.Unonzwa
umwe achiti hee chihwindi hachiite
chirombe kana musina zvekutaura
ukanyarara unobvei.Hwindi ari kushanda
iwe wakagara nedegree rako pamba
uchingohukura isu mahwindi tichidya
mari.

"Please driver itayi slow down pama


humps tanzwa nekudzosera mazamu
mubraa"akadaro umwe musikana
ndakaseka hangu vamwe vanhu havana
kukwana.

Takaswera tiri pabasa zuva iri mari tichi


collecta.Vamwe vanhu vaishamiswa
kundiona ndiri hwindi ndaisambokendeka
ndanga ndakarohwa nechamba.Manheru
ndakaona kabbe kaRas Fidza kachiuya
parank pataiva tanga tiri
paline.Kamusikana anga kanga
kakawonda Fidza aikadira panyaya
dzesex kaiziva zvakanoita.Kakabva
kagara pakati pedu akatanga kutaura
naRas.

"nhai weduwe ndeapi ma symptoms


enhumbu ndiri kuti ndikakosora pant
rodonha"said Chary .

"Chary uri kumboti chiii une nhumbu


yaani" akabvunza Ras achiratidza
kuvhunduka nezvanga zvataurwa
naChary.

*LISA*

Ndakashaya kuti Hakim aizviitisa here


pakandibvunzi kuti uyu ndiani achireva
Noku.

"Haaa pane nyaya apa mainini Lisa


handei kumba uko mese newe
Noku"akadaro Hakim anga akabata
Tashia.Ndakabata Tashley tikatanga
kufamba tichienda kwamai
Matemba.Hakim anga achinja skin yake
even kasmell unonzwa wega kuti ndidzo
mbinga.Takasvika mai Matemba vari busy
kutaura naLean.Lean akamhanya
kundimbundira achifara akabva abata
mwana.Hakim akamhoresa mai vake asi
vakaramba vari zii.

"Kana muchiramba makanyarara


zvinorevei mhamha ndozvinhu
zvandisingafariri izvi"said Hakim akatarisa
mama vake.

"Saka wakoshesa kamunhu aka


nhai,wadiii watanga kusvika kuona mai
vako vakakubara wozopedzisira
nevamwe ava" vakadaro mai Matemba
vakandinongedza.

"Wamuri kuti kamunhu ndiani ndaiti


kunyepa zvandainzwa manje ndazvionera
sorry kana ndatadza ndauya kuno
because of Lisa ndakanzwa kuti imi
naDavie muri kumushungurudza"said
Hakim. Hakim akapinda mumba akagara
pasofa Lean akauya kugara paside pake,
vese vanga vakabata ana 2.Mai Matemba
vanga vasunga face vakanditarisa ini
ndakatanga kutya zvakuita as if ndikuda
kuvaparadzanisa.Ziso ranga rakanditarisa
mai Matemba nderekuti buda muno
chete.

"Mama hamutarise munhu kudaro


pindurai zvandataura"said Hakim.

"Iwe Hakim usada kundipaka manzwi


apana chaunondiudza Lisa andina
kumushungurudza ndakamuti huya ugare
pano akaramba ega ndaitombomutengera
grocery futi"said Mai Matemba.

"Mama maitiro enyu anotaura ega kuti


zvamuri kutaura ndezvekunyepa
ndatozviona kuti makavenga Lisa moyo
wangu unorwadza sei muchishungurudza
nherera iyi sei musinganzwi tsitsi
makatanga kuita hutsinye rini"akadaro
Hakim.

"Handina hutsinye mwanangu asi hunhu


hwaLisa ndihwo hwakaita ndimuvenge
vese naNoku vanondiita benzi nekamwe
kacho kaNatty" vakadaro Mai
Matemba.Lean ndakaona aifarira vana
vangu anga achamboterera zvaitaurwa
nevanhu here ari busy kufara
naTashley.Dean akabva apinda akafara
achiona mkoma vake.

"Ndiudzei hunhu hwaLisa"


"Haana hunhu plus kundituka nekundiita
benzi akandibira futi midziyo yangu"said
Mai Matemba.Vakanyepa zvakawanda
ndakashaya kuti mai ava ndakavatadzirei
chaizvo.Zvavamboita kunga vachinja
wani.Dean akapikisana namai vake
pamwe chete naDaisy.Ndakatanga
kubuda misodzi ndakavatarisa.

"Mai Matemba andina mashoko ekutaura


akawanda asi ndinoti Mwari ave nemi"
ndakadaro ndichitora vana vangu
ndikabva ndabuda.

"Mai2 don't cry kani nyaya inogadziriswa


ichipera"said Lean.
"Mai ava ndivo vakaita Diva andirambe
vapedza vakundinyepera futi zvorwadza"
ndakadaro.Hakim akabuda akanditora
tikadzoka mumba.

"Mama saka muri kuramba here" said


Hakim.

"Hakim moyo wangu unorwadza ndoda


undiregerere panyaya yevana ava
ndaisazivavo kuti ndewe musha uno
nekuti Lisa anga agara achizviwanza"said
Mai Matemba.
"Ndambonyarara asi ndaona kuti
makuenderera sis vangu vazviwanza papi
ndakagara ndazviona kuti amuvade siyai
vazvitamburire as long vachirarama" said
Noku.Nyaya yacho yakanetsa kusvika
kwasviba Lean akanobika zvake asi mai
Matemba vakaramba kudya vakarara
vasina kudya hanzi ndakaguta.Ndakanzi
ndirare muroom maDiva ndakaramba
ndakati ndasiya sis vangu vega hazviite
ndirare kuno.Ndakaperekedzwa
naMaiguru Lean.

"Lisa usambochema hako vachakuda


vanhu ivava wakagumira form ani
chikoro"
"Andina kunyora form 4 ndaida kunyora
June zvakaravharwa ndamitiswa naDiva"
ndakadaro.

"Usachema ndoda kuti unyore uende


kunoita maextra lessons mari yacho
ndobhadhara then paunopedza kunyora
ndouya ndichikutora kuenda newe
SA"said Lean.Anga ane rudo
ndakamumbundira nemufaro.

"Mwari vakurangarirei maiguru mune


moyo wakanaka"
"Hupenyu hunoda kushinga zvakafanana
navamwene vangu havandide asi
ndongonyarara Mwari ndiye anoziva"said
Lean.

Lean akasvika pangu akambotaura


naRopa.Ndakamuudza zvese
zvekudanana kwake futi
naDiva.Akashoora Diva zvakanyanya
zvikanzi makeys emota
musavapa.Makuseni ndakamukira kuuya
kutorwa naDaisy ndikanzi ndaidiwa
kumba kwaMai Matemba naHakim.

Ndakaenda kumba kwacho ndikasvika


muna Mai Natty naNoku aripo futi pamwe
chete naNatasha.Ndakaona kuti pane
nyaya yanga iripo hombe chaiyo.

"Mama ndaisaziva mune moyo wakaoma


kudaro ndimi futi makafurira Davie
arambe Lisa ndanzwa zvese zvamaimuita
eish moyo wangu ukurwadza ndoshuwira
dai baba vangu vari vapenyu but why
mom why why"akadaro Hakim akubudisa
misodzi ndakaona airwadziwa.

"Lisa ndomuda nemoyo wese ameno chiii


chinondibata undiregerewo
mwanangu"said Mai Matemba.
"Wamungatokumbira ruregerero ndiLisa
uyo not me ndaedza kufonera Davies asi
foni yake ikuramba"said Hakim.

"Mama ini kuti ndikuregererei just tell me


chakakutadzirai mai vangu kana chichiita
kuripa ndoripa hangu"ndakadaro.

"Ipapo ndipo pane nyaya yandikuda


kuziva Mai Natty taurai tinzwe"said
Hakim.

"Handina nyaya yandingataura apa


ndikuda kutonzwavo namai venyu
ava"said Mai Natty.

"Mai Matemba tell us chii


chamakatadzirana choita chishungurudze
nesu why ini up ndakafanana naDaisy
uyu"akabvunza Noku.

"Mai Natty naMai Lisa ndivo vakatanga


kuita zveku........"vakabva vakatwa Mai
Matemba naMai Natty.

"Shamwari usatanderera taura pane


nyaya yako Noku ati sei ndakafanana
naDaisy pindura"said mai Natty.
"Ukada kufarisa ndozvitaura kuti ndiwe
wakauraya Mai Lisa iwewe Mai Natty
itodzikama"said Mai Matemba.Maziso ese
akabva atarisa mai Natty ndakatanga
kuchema ndakavatarisa even Noku futi.

_ko Mai Matemba vari kutaura chokwadi


here avo, kana chiri chokwadi Lisa
naNoku vachazvitambira sei._

_masacrets aya obuda manje_

_Ko Diva achasvika rini achirarama kalife


ako_

*Watch out for chapter 34*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/C6IWUlAM4X
HKbfP7JwJZBP
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 34*

*LISA*
Zvekunzi Mai Natty ndivo vakauraya mai
vangu zvakandirwadza andidi
kunyepa.Ivo Mai Natty vakaramba
vakanyarara vakatarisa mai Matemba
ndakaona maziso avo Mai Natty ajenga
misodzi.Ndakaona kuti vakanyara
kuchema patiri.

"Why makauraya mai vangu Mai Natasha


vakakutadzirei nhai"said Noku.

"Noku chimbomira kuchema tinzwe kuri


kuenda nyaya yacho Mai Naison tell us
ichokwadi here ichi chikutaurwa"akadaro
Hakim.
Mai Natty vakaramba vakanyarara
vakatarisa Mai Matemba.Mai Matemba
vaita kubira kutarisa Mai Natty ndakaona
kuti pakati pevakadzi vaviri apa pane
nyaya hombe.

"Mai Hakim une shuwa nezvauri kutaura


here,how came kuti ndiuraye shamwari
yangu munhu wandakakura naye iwewe
ndiwe wakauraya mai Lisa ndine
evidence yacho,iwewe wati ndini
ndakavauraya budisa evidence"vakadaro
Mai Natty vaita zvekumira vachiita
kudaidzira kunga mugaisi ari
muchigayo.Makambozviona here kuti
munhu anogaisa anotaura achidaidzisa
kunga ari pamike.Ndanga ndatova
confused ndakabva ndafunga pakafa mai
vangu vakagumisira kutaura namai Natty.

"Mai Naison usada kundibhowa wanzwa


chibuda mumba mangu izvozvi"vakadaro
mai Matemba.

"Hakuna kwavanoenda tikuda kunzwa


nyaya yenyu imi mati Mai Natty ndivo
vakauraya mai Lisa budisai evidence
kana kuti nyatsa kuti tsanangurirai
zvakaitika"said Hakim.
"Hakim nyarara panyaya idzi waita mutete
apana chaunoziva wanzwa haundiudze
zvekuita mwana wandakazvara"said Mai
Matemba.

"Ehe apana chandinoziva ndikuda


kutozivawo kana musingade kutaura
chigarai makadaro mese nemi mai Natty
mune moyo wakashata kuuraya mai Lisa
akakuitei mkadzi uya anga asina chitema
nemunhu"said Hakim achiratidza kuti
atsamwa.Akatanga kunetsana namai
vake ,Lean ndiye akazodzikamisa Hakim
akabva anyarara.
"Hakim mira nditaure chokwadi
chandinoziva mafiro akaita Mai Lisa
akandirwadza kutaura chokwadi Mai vako
ava ndivo vakavauraya"said Mai Natty.

"Futseki satan buda muno ndakuona


unoda zvehondo neni Bettina buda muno
izvozvi"vakadaro Mai Matemba vasimuka
vachibata Mai Natty.Pakaita nyaya pakati
pevakadzi vaviri ava.Mai Natty semunhu
anonamata vakabva vanyarara vanga
vakuda kutoenda asi Hakim ndiye
akaramba.Munhu wese akabva agara
pasi.

"Mama andisi kuda zvekunetsana nemi


mukangoita zvinhu zvondigumbura
amuchafi makandiona zvachose"said
Hakim.

"Uri mwana wandakazvara haundiudze


zvekuita wanzwa here uri
kundishungurudzireiko ndakazviona kuti
magara mukuda kundiuraya neBP manje
ndikafa amupagari pano basa rekuroora
kangomwa kasingazvare munoita
marombe pano ndikafa ndakatsamwa"
vakadaro Mai Matemba vakabva vabuda
zvavo.Ameno kwavakaenda mai ava
vanga vakaoma zvavo.Lean anga
akuchema ndakaona Hakim abata shaya
mumba mava ziii.
"Musachema vanangu everything will be
okay ,chandoda kukuudza Hakim usafa
wakavenga mai vako zvavari kuita hakusi
kuda kwavo asi pane zvakavabata zvoda
kunamata nesimba zvibve"said Mai Natty.

"Pakunditukira mkadzi wangu ndipo


panondirwadza saka kushaya mwana
yava mhosva here handichadzoke kuno
Lisa ndoenda naye ndomutsvagira
zvekuita SA and achawana achamuroora
chete ,Dean ndoenda newe futi uyu Daisy
ndiye achambosara pano namama"said
Hakim nenzwi rine kakurwadziwa mukati.
Noku akaedza kubvunza kuti imimi Mai
Natty tiudzei zvenyu zvakaitika.Asi Mai
Natty vakati havakwanise kutaura Mai
Matemba vasipo.Vakabuda vakaenda
kumba kwavo.Noku anga akungochema
achiti ndasuwa mama.Apa ana 2 vanga
vakunetsawo.Ndakatupa mukaka tukabva
twarara.Ndakambotaura naNoku mwana
wamai vangu.Pakati pamai Natty naMai
Matemba ndipo pane akauraya mai vangu
chete.Mai Natty sei vasingadi
kundiudzawo zvoreva kuti vane chekuita
nekufa kwamai vangu.Ko grudge ravo
rakatangira papi havanaa kutaura
vainzvenga mibvunzo vakadzi ava.Ko
zvavaimboti vane zvavanoda kundiudza
ngavataure ka.Ndakabva ndamira kuenda
kumba kwavo.Ropa akadzoka kughetto
akati achadzoka hake soon.Maiguru Lean
vaiuya pamba pangu tichiswera
tese.Ndakavadzidzisa chinhu chonzi
kunamata.

"Mai 2 wakafanana neni ndikatukwa


ndopedzera shungu mukuchema"said
Lean.

"Life is not fair maiguru ndaisaziva kuti


mai vangu vakaita zvekuuraiwa asi andisi
kuzvinzwisisa ivo vaiti musoro"

"Mai vako madays acho vane zvaivanetsa


waisazviona hako vanga vadzikira
ndofunga istress"said Maiguru
Lean.Pakafa mai vangu Lean anga ari
kuno aibva kuma areas akakurira mai
vangu ainyatsa kuvaziva chaizvo.

"Yes kudzikira kuya kushanda mama


vaisada kugara pasi avo, ko Mai
Matemba hanzii navo variko
here"ndakabvunza.

"Vakamukira kuenda kuHarare kuna


mkoma vavo havana kumbotaura Daisy
ndiye azotiudza izvozvi murume wangu
ane stress ndamusiya akarara"said Lean
achinzwisa tsitsi.
"Kuenda Harare kutiza nyaya dziya uku
asi mai vaya kuti vakakwana here
"ndakadaro.

"Ehe apa foni yaBamunini Diva ikuramba


Hakim nezuro akaenda kumba kwaDiva
akasvika kusina munhu akaedza kunoka
gate rakalokwa zvakaoma akabvunza
manext door vakati ane week asiri
kusvika pamba apa hatizive kuti aripi"said
Lean.

Maiguru Lean vakaenda kumba


kwavo.Manheru ndakamuka kunamata
nezveFamily
yakwaMatemba.Ndakanamata
zvakasimba.Makuseni ndakamukira
kugezesesa vana vangu tikanogara zvedu
mumota ndichitamba nevana
vangu.Natty akabva asvikawo.

"Natty uri sei"

"Shaaa magame ari kuitwa namoms


vangu namai Matemba handisi kumafarira
vakuda kutamba nepfungwa dzedu"said
Natty.

"Haaaa Mai vako handivashoori asi Mai


Matemba ndivo vane problem izvozvi
vatori Harare kutiza nyaya dzavo kana
uriwe zvoita here"

"Mama havana mufaro iwe vava


nemazuva vari ziii kana kudya vari kudya
zvekumanikidza ukavabvunza kuti muri
kurwara here vanoramba"said
Natty.Ndakarwadziwa nemashoko aya
ndikabva ndaenda kumba kwana Natty
takasvika vari mudinning.Ndakaona
vakaviga pic ravanga vakabata ndanga
ndariona hangu ramai vangu.Vairatidza
kuti vaichema maziso avo anga
akatsvuka.

"Lisa mwana waLister ndoshaya


ndotangira papi asi ziva ini andina ruko
pakufa kwamai vako"said Mai Natty.

"Saka tell me chokwadi ka"

"Mai Hakim ndivo vane ruzivo panyaya


iyi,nyaya inoda varipo ndobudisa
evidence yandinayo ngatimirire kudzoka
kwavo nekuti ndikaitaura vasipo
hazvizobude zvakanaka"said mai Natty.

Andina kuda kuita nharo


navo.Ndakamboswera navo vachitamba
nana 2.Asi waitoona wega kuti havasi
okay.Ndakaenda kumba ndikasvika Noku
naDaisy vakagara padoor pangu
vairatidza kuti vanga vane nguva varipo.

"Ko Daisy mama vako vanodzoka


rini"ndakabvunza.

"Andizive ini asi mkoma Hakim vafonera


Sekuru kuti vauye namama vakatiza
nyaya dzavo"said Daisy.

"Okay magona mauya ndibatsireiwo


kugeza mandiro" ndakadaro.Noku
naDaisy zvandaivadira vanga vasina
nungo vakaita basa zvavo.Vapedza
vakatora ana 2 vakabuda navo.Papera
time ndakaona vadzoka Tashia kanga
kakuchema.

"Aka kanonetsa kanoda


kumborohwa"said Daisy.

"Kari kuoneka kachakura kakangwarisa


saNatty"said Noku.

"Asi Natty akangwarisa


kani"ndakabvunza.

"Ehe ane dzungu futi ini mai Natty


ndatovavenga imhondi vakauraya mama
vangu"said Noku.

"Noku mashoko ako ayo handimafarire


andidi kukunzwa uchizvitaura une
evidence yezvauri kutaura here"
ndakadaro

*Davie*

Apana zuva randaijamba kurova


chamba.Ndanga ndatova addicted
nacho.Basa rechihwindi rakaoma arina
kuchipa imi unodairwa rough dzimwe
nguva nevanhu ava.Ndakagumisira
ndajaira ndini ndanga ndava rough
manje.PaSunday tisingaende kubasa
taiswera takadhakwa nemutoriro.Mazuva
aya ndanga ndakugara pamba paRas
Fidza.Rimwe zuva kamwe kamudhara
kakakwira kombi yangu ndanga
ndakagara kumashure zvangu.

"kurovera door kudaro ndozvamunoita


fridge yenyu kumba here izvozvo"
ndakadaro ndaona munhu avhara door
zvehasha.

"handisati ndamboivhara ndirimukati"


said kamudhara kaya.
"driver mhanya ndanonoka" said
kamudhara kaya kakatarisa nguva pafoni
yake.

"akamhanya anodriver ndiani"


ndakadaro.Ndakadaro ndichiseka
chamba changa chakandibata zuva iri
tanga tarova high grade.Ziso rangu ranga
rakaita kuita kutsvuka.

"ko bhazi imarii"said mudhara uya.

"mudhara, hatitengese mabhazi"


ndakadaro ndichiseka

Mudhara uya ainyepera kuvhiringika


kunga asingazive mari yebus ndakaona
akunditambidza mari.

"aaah mari yamandipa yakabvarukaka


iyi"ndakadaro.

"asi urikuda kuipfeka here" akadaro


mdhara uya.

Aifunga ndiri kuseka ndakamuti ndipe


mari yakanaka akazondipa.Mazuva aya
chihwindi changa chandipinda
muropa.Pamba pangu ndaisvika apo ne
apo.Ndanga ndakufunga kuitengesa imba
iyi.Ndaida kutanga ndatengesa property
iri mumba ndiwane mari.
"Ndafunga kutengesa imba iyo"
ndakadaro.

"Imba ipi asi wakupenga here uri


kuuwanza mutoriro mupfana" said Ras
Fidza achiseka.

"Aiwa ndiri serious panyaya iyi next week


ndikunotora mota yangu uko yakatowana
buyer mudhara Mavitalo uya anogadzira
mota ari kuida"ndakadaro.

"Haaa wakuzofa nemari mupfana aaah


tora sando usazondirasawo kumusha
kwako toenda tese ndikumboda
kamusikana kechidiki kekumusha
kakapusa"said Ras Fidza.

"Haaa tobaya tese necombi yedu iyi


tobaya makuseni todzoka manheru
vasikana variko"

"Ukuziva King iwe Chary haana edzi here


uya zvaiiti akakosora pant rodonha"said
Ras Fidza.

"Masasi ayo haa bro muchirara


nevasikana ava musapinda musina
kupfeka raincoat" ndakadaro.
Takataura nyaya dzakawanda naRas
Fidza.Dhuma dhuma naRopa akwira
mukombi mangu.Haana kutobhadhara
aifunga ndichiri kumuda.Ndakamutuka
makazara vanhu.

"Eeh mbuya haisi combi yababa vako iyi


ndipei mari yangu tione" ndakadaro.

"Eeh mkoma dzikamai manzi amusi


kupihwa mari yenyu here"said Ropa
akatarisa kuside.

"Mahwindi aya ari rough kunyanya


mkoma ava iiih"vakadaro vamwe mai
vanga vakagara pedyo naRopa.

"Vamwe vanhu mune mukanwa


munonhuwa nyararai, imi sista ndipe mari
tione kana musingadi tokudzisai
pano"ndakadaro.

"Munopenga ndidzosei
kwamanditora"said Ropa.

Ropa akazobhadhara hake asi akasiya


andituka.Akabhigwa nevanhu vaiva
mukombi umu.Vakamuti sista amutye
mahwindi ava isu tinovatya ukavaita
rough vanokuita yese yese.Kana
wakambozvitarisa mahwindi vane
unity.Kana uchiti ndonyepa denha one
hwindi iwe usiri hwindi uone chiii choitika.

Zuva rekuenda kumusha rakasvika


takaenda necombi parank panomira
macombi ekumusha.Combi yedu yagara
yakanaka inotora vanhu pasina time
yanga yazara.Takadya road takananga
kumusha takasvikawo nguva dziri bhoo
zuva richangobuda.Takasvika
tikambopaka combi pamagirosa.Combi
yaita kunga ichaputika ichirohwa music
dziya dzaVybz Kartel.Mari taipota
tichigura wagara uri mugariro mombe
inodya payakasungirirwa.Ndakanwa
zvangu zvimabeer tikazosimudza kombi
takananga kumba kwedu.Ndaiziva
makeys akasiirwa Lisa uyu haandinetsi
anondipa chete.

_Mai Matemba naMai Natty ambori


nemhosva ndiani kana kuti vese vane
mhosva_

_Ras Fidza naDiva vasvikira vakomana


vepaghetto_
*Watch out for chapter 35*
[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

Follow this link to join my WhatsApp


group:
https://chat.whatsapp.com/Ecq45HdRqIj3
HCzS5qOhi5
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 35*

*DAVIE*
Ndini ndanga ndakudriver sezvo Ras
anga apera nedoro arara
zvake.Ndakafunga kutanga kusvika
pamba paLisa.Ndakapfuura nepamba
pedu ndikasvika Lisa achitonwa zvake
drink akagara panze twana twake twake
twarara paside naye.Akaramba akagara
ini ndakadzika ndikaenda paanga
akagara.Ndisati ndataura ndakatarisa
vana.Ndanga ndisina kunyanya
kudhakwa zvangu.Ndakaramba
ndakatarisa vana ava ndikaona one
wacho akafanana mai vangu umwe
wacho akafanana neni
hazvibvunzwe.Kamwe kacho kakabva
kamuka kakatanga kuchema ndakuda
kukasimudza Lisa akandirambidza.

"Usabate vana vangu please"said Lisa.

"Vana vako wega here Lisa saka paya


waiva serious pawaiti une nhumbu yangu
ndakuzviona manje"ndakadaro
ndichinyemwerera.

"Ko ati vana vako ndiani Diva inga wakati


inhumbu yaVhunai saka siyana neni"said
Lisa.Ras Fidza akabva aburuka zvake
akauya pataive.
"Ko wapihwa here makey emota yacho
tiende"said Ras Fidza.

"Ndanga ndakanganwa Lisa ndipewo ka


makeys emota yangu"

"Ndini ndakamatora here enda unopihwa


nemunhu akamatora"said Lisa.

"Aaaah iwe vana vaani ava Diva havasi


vana vako here sei vakafanana
newe"akabvunza Fidza.

"Vana vangu ava ndakuzviona izvozvi ,asi


why Lisa usina kundiudzawo kuti
wakazvara vana vakafanana neni eish
nhasi ndafara andidi kunyepa apa
wandifadza"ndakadaro.

Kutaura chokwadi ndakafara


ndaisambofungira kuti dumbu raLisa
ranga rakatakura vana
vangu.Ndakashaya kuti ndomutenda nei
Lisa zuva iri.Ndakaona kamusikana
kanga kakafanana namai vangu
kakaramba kachichema.Lisa akaedza
kukanyaradza kakaramba kunyarara.Lisa
anga apusa manje ini ndanga ndakayeva
vana vangu.Ndakabata kamusikana kaya
kakabva kanyarara kakatanga
kusekerera.Lisa akabva asunga face
ndakaona aisada kuti ndibate vana.

Saka Bella ndiye asingazvare


nhai.Pakabva pasvika Daisy naNoku
ndakaona ziso raRas Fidza rakatarisa
kuna Daisy naNoku ndakaziva kuti shavi
rake rekuda vakadzi ratanga.

"Ko matwins aya anogarepi haaa twana


twakanaka utwu ndabvuma hangu apa
ndoda kunyamura one chete"said Ras
Fidza.

"Uri kutaura matwins api iwe"


ndakabvunza.

"Diva haaa mutoriro uri kukuwadza umwe


wangu saka hausi kuona vasikana ava
vakafanana ndosaka ndavati
matwins"said Ras Fidza.

"What !! havasi matwins aya asi ehe


vakafanana"ndakadaro ameno sei
ndaisambozviona makore aya.

Ndaida kubvunza mai vangu nyaya


iyi.Daisy haana kana kundimhoresa
akangonditarisa.Lisa akatora mwana
muruoko rwangu iko kakabva katanga
kuchema.

"Tashia kabenzi aka kakamboita sei


kamwana aka kukundwa naTashley
asinganetsi"said Noku.Ndipo pandakaziva
mazita evana vangu ndakamafarira
hangu.

Ras Fidza ndakaona vakatarisa Daisy


nerimwe ziso so.Ndakaramba
ndakanyarara asi zvakandibhowa andide
adanane nehanzvadzi yangu
angatodanana naNoku uyu.Zvemakey
ndakazvisiya ndikati Ras Fidza asare
pano ndimbomhanya paden.Ndakafamba
kuenda kumba smile ichisvika kugotsi
ndava baba sekuseka
sekutamba.Ndakasvika ndikashamisika
kuona mota imwe yakanaka ndakashaya
kuti ndeyani.Ndakapinda mumba
ndikaona hezvo Lean akarara
pamakumbo aHakim vachitaura
nyaya.Ndakapererwa kuti vanhu ava
vakauya rini sei vasina kundiudza.

"Davie ndiwe zvako" said Hakim.

"Yaaa ndini long time ko sei musina


kutaura kuti muri kuuya"ndakabvunza.

"Ndataura zvozodiii handisi kufara nekuda


kwehunhu hwako namama muri
kufurirana zvisina basa"said Hakim.

"Zvisina basa zvipi kana iri nyaya yaLisa


don't blame me ,mama naDaisy ndivo
vakati ihure anozviwanza saka paakati
ane nhumbu handina kuzvitambira ini
ndakaudzwa kuti anodanana
naVhunai"ndakadaro.

"Wakapusa Diva wanzwa ungabvuma


zvotaura mama kuti hauvazive here
vanomboita kunga vasina kukwana how
many times vachiti siyana naLean nekuti
haazvare vakanyepa futi kuti Lean
akabvisa chibereko ndikasiyana nazvo
ndiwe wakapusa wakatadza kumira
neumwe wako"

"hakim nestate ina mama kuti ndirambe


zvavanotaura BP inokwira ngatingoita
zvavari kuda zvacho"

"Ita wega ini mkadzi wangu andife


ndakamusiya andisi benzi ini, ehe hongu
mama vakandizvara asi havana right
yekundiudzira zvekuita nelife yangu"said
Hakim.

"Ko bamunini Diva foni iya iripi"


akabvunza Lean.Lean anga achinja
atsvukira munhu anga akasviba shuwa
Joza inochinja munhu.

Hana yangu yakarova pakabvunzwa


zvefoni.Ndakaona Hakim akuti ndikuda
kuonawo.Ndakamuti ndaisiya kumba
vakangoti okay asi Hakim akati ari kuda
kuiona.

"Diva tell me Lisa unomuda here or


aumude"

"Ummm handimude asi vana vangu


ndovada ndoda kuvatora"ndakadaro
ndakataura zvakauya mupfungwa dzangu
panguva iyi ndaiva mulevel rangu ndega.

"Unopenga mupfana apana mwana wauri


kuzotora wakaramba vana ivavo ichiri
nhumbu muchiita hutsinye kune nherera
iyi muri 2 namama asi chandinoziva
Mwari vari kuona Lisa
muchamupfugamira chete muchaona
henyu" akadaro Hakim akabva abuda
nemkadzi wake.Ndakashaya kuti mama
vanga vaendepi.ZvaHakim zvekuti vana
hausi kuzovatora ndezvekupenga ndoita
zvandoda nevana vangu.Ko ndini ndakati
asaita vana here ndakaona akurwadziwa
neni kuti ndane vana iye
asina.Ndakabuda ndikaenda kwandasiya
Ras ndikasvika akarara mucombi.Doro
riya ranga razomubata.

"Lisa wakaudza mkoma vangu kuti chiii


sei uchifarisa ndakakushungurudza
papi"ndakabvunza ndanga ndisina
mufaro.

"Diva usada kubhowa sis wangu wanzwa


pawavakatambudza pakakwana
ukaramba uchiita tunharo utwu ini
ndokutema namatombo aya"said Noku
achinhonga dombo.
"Noku pane dzimwe nyaya dzausingafani
kupindira apa ndiri kubvunza zvakanaka
ndatadzei" ndakadaro
ndakakatarisa.Ndakaramba ndakakayeva
mumaziso chaimo ndikaona apana
musiyano naDaisy.Daisy anga ari
mutsvuku chete.

"Usanditarisa satan asi ukuda


kundipfimba kani manje ini andife
ndakadanana newe ndopika namai vangu
vari pachuru nxaaa"said Noku.Mwana
uyu ane bag redzungu rorema
50KG.Ndakaona Daisy ava kuseka
ndoshaya kuti chii chosetsa apa vanenge
vari kufembedza bute vana
ava.Ndakaenda mucombi ndikaimutsa
ndikaenda kunopaka kumagirosa
ndaisada kuenda ndisina kuona mai
vangu.Takambogara ikoko ndaida
kamusikana kekumbovharira ndainzwa
kuda.Asi nyaya yenhengo yangu
yairamba kumuka ndizvo
zvaindirwadza.Ko chii chakaitika
pandiri.Ras Fidza akamuka akati ari kuda
matwins aya ese ndikamuti unopfimba
Noku.

"Haaa kaya kane dzungu ndokagona


here"

"Ehe ane dzungu iwe kakaita dzungu


dzikama ndomavirgin ayo kadambure
dzungu riite shoma" ndakadaro.

"Saka ndotaura nako sei manje"

"Usatya ndoita link naDaisy zvofamba"


ndakadaro.

Ndakamona chamba tikachirova zvedu tiri


mucombi.Pasina time ndakabva ndaona
Fadzie aifamba
kumagirosa.Ndakamudaidza akafara
kundiona akauya kugara mucombi medu.
"Ko tell me Lisa anombodanana nani
muno"ndakabvunza ndaida kuziva
ndizowana zvekutaura kuna Hakim anoti
mama vanonyepa.

"Lisa ihure iwe vanhu vacho vanopera


here aitodanana nebrother yako Dean
vana vaanavo ndeva Dean,imbavha futi
akaba futi mari kumba kwedu auya kuita
maricho"said Fadzie.

"What" ndakadaidzira zvekushamiswa.

"Diva vaya vana vako inga paya wakati


Lisa ndiwe wakamuvhura saka problem iri
papi tumahure utwu turi kukuda ausi
kuzviona kuda kuti uvenge Lisa
ndakadhakwa hangu asi terera mashoko
angu ida vana vako"said Ras
Fidza.Akabva ambomira achisvuta fodya
yake akaenderera mberi.

"Ini Diva handisi kurwadziwa newe


usaterera gosip iri Lisa ndanyatsa
kumutarisa nguva yandasara naye paya
andina hangu kutaura naye mwana uya
ari bhoo akanaka anoda kuchengetwa
zviri bhoo chimusikana bho"said
Fidza.Mashoko aFidza akabaya pamoyo
pangu chaipo.Ndakafunga madays
andakadanana naLisa ndikafunga
chakaita tiparadzane.Mai vangu ndivo
vaisamuda apa ndakaita kufadza mai
vangu nekuseva utano hwavo.

"Fadzie ini ukada kundiudza zvekunyepa


ndinokumamisa wanzwa here tanga
wagona kugeza nxaaa" ndakadaro
ndaona kuti ainyepa.Mashoko aRas Fidza
aiva nekachokwadi mukati.

"Fuck you Diva zimuroyi" akadaro


achidzika mucombi.

"Futseki mazamu akadonha kunga drip


rapera mvura"ndakadaro.
"Vanhu vekwaMatemba tinokuzivai
makaromba makaurayisa gogo venyu kuti
muite mari futseki mwana wemuroyi"said
Fadzie achifamba.Ndakanzwa hasha
ndakadzika ndikamupa mambama ari
strong.Ndakamubata ndikamukanda
mucombi ndaida
kumugadzirisa.Ndakamutsa mota
ndikananga naye kumba kwavo
ndikasvika mai vake varipo.

"Mai imi batai mwana wenyu uyu anofira


mumaoko angu angati mai vangu muroyi
pakudiii"
"Fadzie how many times ndichiti nyarara
hee"said mai vake.

Ndakamusiya akutukwa namai vake


ndikaenda kumba ndikasvika vasiko.Lean
akati mama vari Harare vari kudzoka
zvavo soon.Ndakaona kuti apana
chekugarira apa.Ndakaenda kunoona
vana vangu ndakasvika vakabatwa
naNoku naDaisy ameno Lisa anga
aendepi.Ras akabva asvika akatanga
kutaura tunyambo twake ndakabva
ndaziva kuti iskiri rekuda kukwezva Noku.
"Haaa blaz ava vane nyambo
dzinonakidza ndaseka zvangu"said
Daisy.Ndakatora Daisy tikaenda paside
ndaitira kuti Ras awane kutaura
naNoku.Ndakaona Noku aifa nekuseka
ndikaziva kuti Ras vane machances
ekupinda mahombe.

"Haaa ndazobata maths dzenyu manje


wandibvisa pana Noku kuti rasta avo
vanyenge Noku manje akuna izvozvo
ndozvidira jecha"said Daisy achidzoka
kuna Noku.Ameno zvakauuda Noku
munzveve ndakaona Noku auya kwandiri
akafutisa matama.
"Satan ndagara ndazviona kuti mune
yamuri kuronga manje ini amundigoni
manzwa iwe Rasta usafunga kuseka
nyambo dzako kukuda no
takatomboramba madoctors chaivo
kwozoti iwewe hako unoshamisira
nei"akadaro Noku.Uyu aiva nedzungu
pasina nguva Lisa akabva auya
akamonera zambia aibva kunogeza.

"Madoctors apinda papi ndiwo ane rudo


chete here Noku wangofungira
zvisizvo"said Ras achienda kumota nekuti
Lisa atora Noku akapinda naye
mumba,Daisy akatevera vakabva vavhara
door ravo.
Kwakasvika pakusviba ndikaudza Ras
aende ndaimboda nguva yekuona vana
vangu.Ndakamutipa kuti uzoudza
mudhara Shuroyaonda kuti Diva akaenda
kurufu.Ras haana kuita nharo akati
achauya achisofta Noku.Noku naDaisy
vakaenda kumba ndikasara ndakagara
pamba paLisa anga akavesa moto
panze.Akabika chikafu chake akadya
kana kumbondipawo zvake.Ndakaenda
paseri pemba ndikabatidza chamba
changu ndikatanga kurova.

"Yoooo saka pamba pangu ndipo


panobhemerwa here nhai iwe"said Lisa.
"Lisa imbodzikama kani,nhasi ndiri kurara
pano vana vangu ndovada ava apa
wakandigonera"ndakadaro.

"Hezvoo Diva usafunga kukunyararira


ndikukuda pano aiwa ndakakuvenga
andifunge ndikakuregerera mai vako vane
zvavakaita nezvekufa kwamai vangu
iwewe wakakanganisa future yangu
wakaita hako asi ziva rimwe zuva Mwari
vac......"

"Mai 2 mira ndipedze chamba changu


tigotaura"
"Anditaure nemunhu akarohwa nechamba
andikude pavana vako wabva kubata
chamba chako ichi"akadaro akabva
aenda. Ndakasara ndichipedzisa zvangu
ndikaenda kwaari asi ndakatukwa
nekurohwa.Hasha ndanga ndinadzo asi
andina kumudzorera akaramba kuti
ndirare pamba pake.Ndakaenda kumba
ndikasvika vanhu vachidya.

Hakim akaisa plate pasi akauya kundipa


chibhakera mudumbu ndikadonha
pasi.Ndakarwadziwa zvisingaite
ndakashaya kuti ndaparei.Lean ndiye
akauya kubata murume wake.Kana simba
rekudzorera ndakarishaya nekuda
kwemarwadzo.
"Diva sei uchida kusvibisa zit a redu
vanhu vese vakuti vana vekwaMatemba
havaite vakashata moyo, ndanzwa futi
kuti wauya neshamwari yako kuda
kumusoftira Noku why why vakakutadzirei
ana Noku naLisa tell me"said
Hakim.Ndakaziva kuti Daisy ndiye auya
kutaura.Ndaisaziva kuti Daisy anewo
dzungu kuita kunga Noku.

"Andina problem naNoku ini Ras angoti


ari kuda Noku ndikamuti pfimba saka
ndatadzei iwewe Daisy usafarisa ndiwe
wakaparadza rudo rwangu naLisa mese
namama muchinyepa kuti ihure
ndakamirira kudzoka kwamama ndoda
mundiudze chihure chaita Lisa ne
evidence yacho ukatadza kuibudisa uri
kufira mumaoko angu aya I hate you
handifunge tiri vana vababa one iwewe
face yako haisi yepano ndazviona nxaaa
kushata atina vanhu vakashata
kwaMatemba uri wekwaPotse chete
iwewe"ndakadaro ndichirwadziwa.Daisy
ndiye aiva number 1 mazuva acho heee
Lisa haite apedza oti aitamba.

Daisy akadonhedza plate yesadza


akatanga kuchema zvakanzwisa tsitsi ini
andina kumbomunzwira tsitsi.Lean ndiye
akamunyaradza pamwe chete naHakim.

"Ini haisi mhosva yangu kuti ndifanane


nanaNoku kana ndisiri wepano ndobva
hangu mosara henyu pamba penyu ini
regai ndibude mufare ndiri mwanawo
zvakaitika andingazvizive ndagara
ndazviona andichadiwe pano mama
vanga vakundiita rough pano anondida
ndimkoma Dean chete"said Daisy
achichema akabva amiswa naHakim.

"Daisy usachema usatevedza zvaDiva


akavhiringwa nembanje dzake you are my
lil sis usatya mangwana toenda kutown
ndokutengera zvauri kuda"said Hakim
achipukuta misodzi yaDaisy.

"Kufa kuri nani mkoma vanhu vanhu


vanoti ndiri mwana wekuhururwa
zvondibata bata izvozvi mkoma Diva
vakundipa mhosva yandisina"akadaro
Daisy akuchema.Ndakavasiya vachitaura
vese ini Daisy ndanga ndatomuvenga ane
dzungu rosvota.

Ndakabva ndaenda mukitchen ndikaona


chikafu chisimo.Panga pangori nechingwa
nedrink mufridge muine mapolony
ndakazvirova ndikabva ndaenda
kunorara.Mangwana ndakamuka
ndichinzwa kuti Daisy akanwa mushonga
aka.....
_Akadiii Daisy_

_ko Diva akuda Lisa here or ichamba chiri


kumashandisa_

Drop your comments please


*Watch out for chapter 36*
[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

Follow this link to join my WhatsApp


group:
https://chat.whatsapp.com/Ecq45HdRqIj3
HCzS5qOhi5

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 36*

*HAKIM*
Patakamuka takambogara tikaona Daisy
asipo.Lean ndiye akazobvunza kuti tete
varipi vandisina kumbobvira
ndaona.Ndakafunga kuti pamwe amukira
kwaLisa sezvo ariye waifarira.Lean ndiye
akati hana yangu iri kurova pane zvaitika
kuna tete chete.Diva anga achakarara
zvake,Dean anga abuda hanzi
ndikunotaimira kamusikana kangu.Daisy
airara namama but mama pavakaenda
vakasiya vakiya bedroom ravo.Anga
akurara murimwe room rairamba achiti
anotya kurara ega.Ndakasimuka
kunovhura door kwakuona munhu
akarara pasi pafloor.Ndakamubata
ndikanzwa muviri wake waidziya.Lean
anga akutoridza mhere ndipo
panobhowerawo vakadzi ipapo.Ini
zvakandirwadza kuti why hanzvadzi
yangu yanwa
mushonga.Ndakamusimudza
ndikanomuisa mumota mangu
ndakuvhura gate ndipo pakasvika Noku
achimhanya anga asina bhutsu.

"Where is Daisy ndikuda kumuona"said


Noku.

"Kwakanaka here Noku" ndakabvunza.

"Aaah maiguru Lean vakuchema asi twin


wangu afa kani nezuro ndakarota hope
dzakashata aita kunga aimhanyiswa
nenyoka hombe akasvika pakudonha
nyoka iya yakuda kumuruma ndipo
pandapepuka"said Noku.Hope dzaNoku
ndakaziva zvadzinoreva dzaiva pachena
handina kukwanisa kumuudza state
yanga ina Daisy asi akangoona ega
zviripo.Akati andisari ndoendawo naye
kuchipatara.Handina kuda
kumurambidza.Lean ndiye wandakati
asare azviite pamba pasare pasina
munhu Diva tingati munhu here
pangasara pakaitwa zvimwe zvinhu.Apa
ndakarova mota ndakananga kuclinic
zvikanzi mhanyai naye kuchipatara
chihombe mutown.Ndakarova mota
tikasvika ndikamuisa mumaoko
emanurse.Akaendeswa kune imwe room
Noku aingotevera akazobatwa kuti
asapinda.Noku ainyanya kurwadziwa
ndakashaya kuti bond raNoku naDaisy
ranga riri papi.Kuti havasi vana vababa
umwe ivava.

"Mkoma Hakim tell me chii chakaitika


kuna Daisy"

"Akanwa mushonga ndofunga aunwa


mukuseni chete"

"Ko chii chakaita anwe mushonga nekuti


inini Daisy zvomunetsa anosindiudza"said
Noku.
"Ipapo handizive ngatinamatire apone
ndiye achakwanisa kutiudza kuti sei
akadaro"ndakadaro.

"Ko nezuro apana wakanetsana naye


here"

"Ooh vakambonetsana naDiva "

"Shit uyo muroyi ndoda kupedzerana


naye chete"said Noku akabata shaya
akagara patumabench twuya.Apa anga
asina nebhutsu chiona dress rainga
rakapfekwa hombe kwaari
aisambokendenga zvake.Ndakafonera
mai vangu ndikavaudza mamiriro akaita
zvinhu.Zvakavashamisa ndakanzwa vati
ndiri kusvika kuchipatara ikoko manje
manje.

Doctor vakazobuda vakataura


zvakawanda ndanga ndichambozviterera
here chandaingoda kunzwa kuti mupenyu
here mwana wamai vangu.Vakati
mupenyu makurumidza kuuya naye vakati
vachaedza nepavanogona.

"Ko ndingakwanisawo kumuona here


doctor"said Noku.

"Okay no problem"
Takapinda muroom yaanga ari tikaona
anga akarara zvake.Ndakaramba
ndakamutarisa ndikaona ndiMai Lisa
chaivo nehutsvuku hwacho.Mibvunzo
yakatanga kundinetsa mumusoro mangu
kuti how come Daisy afanane naNoku
namai Lisa.Nekuti ndaimbofunga kuti
zvimwe mama vangu vakahura
naPotse.Noku anga amira pabed akabata
ruoko rwaDaisy.

"Daisy my twin my mom muka kani hiiii


uda ndisare nani inga wani sis vangu
vanokuda why wanwa mushonga"said
Noku.
"Noku asi muri matwins kani tell me the
truth"ndakabvunza ndakaona kunga Noku
aiziva.

"No asi vanhu vanoti tiri matwins,ini


ndomuti twin or mom nekuti akafanana
namai vangu zvisingaite ndosaka
ndichimufarira ndiye ega shamwari
yangu"said Noku.

Kwakasvika pakusviba tiri pachipatara


mama vakabva vasvika vachiona mwana
wavo ndakaona vakarwadziwa
zvisingaite.
"Ko iwewe uri kudei pano"said Mama
vachireva Noku.

"Mai Matemba musada kundijairira ndimi


mumwe anoshungurudza Daisy
kakawanda achikubvunzai kuti sei
akafanana neni namai vangu imi
momutuka haaa nxaaa"said Noku.Akabva
anzi twaaa mbama ndikavabata mai
vangu ndakaona kuti vanga vane
dambudziko hombe.Pamba pedu
paitomboda kudanwa prophet
anonamatira nekuti hey zvakuitika zvacho
zvoda Mwari.
"Ndiwe wapandutsa mwana wangu iwewe
how many times ndichikuti andidi kukuona
unaye heee ucharoya kutodza mai vako
iwewe"said Mama.

"Mama behave semunhu akura


musapedzera hasha pamwana anozivei
,pamakanetsana namai vake anga aripo
here musada kutibhowa mukadzi mukuru
kutiza pamba kuita here ikoko izvozvi
mwana akuda kufa nekuda kwezimwana
renyu Diva"ndakadaro.

"Ndichibva pano ndikuenda kumapurisa


kunotaura kuti imi namai Natty makauraya
mai vangu"akadaro Noku.
Ndakatora mai vangu ndikabuda navo
ndikambosiya Noku ari muward muna
Daisy.Mama ndakambotaura navo
ndichivatsiura vanga vava ziii.Pakuenda
kumba Noku akaramba hanzi ndosara
ndakasiya ndamutengera
chikafu.Manurse aiva paduty vakati
matwins ndizvo zvari last week apa kune
vakazviita futi zvikuitwa nauyu but zviri
bhoo.Takaenda kumba kumusha chaiko
kungoti panga pari pedyo
nepadhorobha.Takasvika Lean akagara
pavaranda ega paakandiona akamhanya
akandimbundira ndikapihwa kiss
ipapo.Kanga kandisuwa kamukadzi
kangu.Diva anga asipo ameno anga
aendepi.Dean aigona kusvika kana pakati
pehusiku ndaishaya kuti
anomboswerepi.Lean akamhoresa mama
vakadaira zvakanaka.Chikafu
chakaunzwa tikadya ndipo pakabva
pasvika Dean achinyemwerera
zvake.Papera chinguva Diva akasvika
akaita kupera nedoro.

"Kafa here kahure kaya ngakafe Daisy


handimude pano handina hanzvadzi
yakadaro uya mwana waPotse chete"said
Diva takaramba takanyarara ndikaona
mama vatarisa pasi.

"Kakauya pano ndikukamhanyisa mama


tell me vana vana Lisa ndevani"said Diva.

"Iwe handisi mwana wako pamba pangu


hapanwiwe doro ngazvipere nhasi izvo go
and ask Lisa kuti vana vaani"said mama.

"Makafuratidza moyo wangu kuna Lisa


why,Lisa ndaimuda asi imi nakaDaisy
kenyu makandinyepera mukafuratidza
moyo wangu why why tell me ndakunzi
ndakaipa inini"akadaro Diva.

"Iwewe kwako kuri kupusa here kuterera


zvotaurwa namama ava wakatadza
kumira naLisa nguva yaikuda manje
kumuwina kuchanetsa andidi
kukunyepera unoona kunga Lisa akapusa
ka manje haana kupusa"said Dean.

Mama vakabva vasimuka vakaenda


kuroom kwavo kunorara.Ndakatora
mudiwa wangu tikaenda kwedu kunorara
ndaida kumukira makuseni kunoona
Daisy.

"Daddy masiya vari sei tete vangu"said


Lean akaisa musoro pachest pangu.

"Havasati vamuka bbe ngatizviise


mumaoko aMwari"

"Vanopora nezita raJesu,ummm daddy i


miss you"said Lean ndakaziva hangu
zvaida.Takaita nyaya dzacho tikabva
tarara.Makuseni Lean akaita basa rese
achibva ageza tikabva taenda tese
kunoona daisy mama ndakasiya
vakarara.Takasvika ndikaona Noku anga
achitaura naDaisy anga amuka.Takamira
padoor ndaida kunzwa nyaya dzavo.

"Daisy mama vangu vakafa ndichiri


mudiki zvinova zvinondirwadza izvozvi
baba havana basa neni vanongoda
kamwana kavo Gift"

"Noku ini ndine basa newe mai 2 naMai


natty vanokuda futi usambotya"said
Daisy.

"Ivo Mai Natty vakauraya mai vangu


handichavade"

"Maonero angu mai Natty havana


chekuita nekufa kwamai vako"said Daisy.

"Hooo kuti kudaro here,chindiudza chii


chakaita unwe mushonga"
"Noku ndine zvakawanda zvinondinetsa
pamoyo mai vangu vachinja
havachandide ndikavabvunza sei
ndakafanana newe vanondirova apa
mkoma Diva vakanditi ndakashata handisi
wekwaMatemba ndakarwadziwa
ndakaona kuti apana reason yekurarama
panyika kana ndosemwa neveropa
rangu"said Daisy achibudisa
musodzi.Lean akabva apinda
ndikatevera.Mashoko aya akandibata
bata ndaifana kugadzirisa nyaya iyo
nguva ichiripo.Ndakanoona Doctor
vakandipa mushonga yake
ndikavatenda.Ndakatora Daisy tikarova
pasi kudzoka.Takasvika nguva iripo
zvedu Daisy akabatirwana naLean
naNoku vakamuisa muroom make.Noku
akasara zvake akagara muroom maDaisy
vachitaura nyaya.Ndakadaidza munhu
wese wanga ari pamba apa Dean,Diva
namama tikagara mudinning Lean anga
akagara pedyo neni.

"Pano chiii chiri kumbonetsa iwewe Davie


wakazviona mashoko ako akaita mwana
anwe mushonga" ndakadaro.

"Taura henyu mkoma ndosaka muchiona


ndisingasweri pano vanhu vane problem
ndiDiva namama"said Dean.
"Iwewe zvauri kudanana nehure iro
mwana wasabhuku Natasha
ndakambokubvunza here"said Diva.

"Ko Diva zvauri kutaura zvakwana papi


panyaya yatiri kutaura"ndakabvunza.

"Saka wafunga kudiii Hakim ndiwe baba


wepano here iwewe ndiwe munhu
asingandiudze zvekuita"said Diva.

"Davie nyarara mhani remember


ndimkoma vako ava vauri kutaura navo
uchidai"said mama.
"I know mama Hakim ndomupa respect
but iye anoda zvekundiwachisa"said Diva.

"Diva kuti uite Electrician ndiHakim kuti


ufambe nemota iyo ndiye saka why
uchimushoora foni yamakatengerwa
makapa hure renyu Bella ndinozviziva
zvese"said Dean.

"Vana vangu ndimi vanhu vasingafani


kunetsana ivai ne one love uri kuzvinzwa
here Davie"said mama.
"Mama zvamakaita zvekuenda Harare
musina kutaura zvakandibhowa why
muchidaro pamba pano hapasisina peace
hatisi unity pano nekuda kwenyu,you are
the one akafurira Diva uyu newe Diva uri
benzi hona Lisa ari kutambura nekuda
kwako akasiira chikoro panzira
wakauraya future yemwana why mama
how do you feel kunzwa kuti mwana
wenyu Daisy anzwaro"ndakadaro

"Taurai henyu mkoma hapana peace


pano Lisa anonzwisa tsitsi andizive mai
vangu sei vasina moyo wekubereka,Mai
Natty munovavenga henyu asi mkadzi
uya ndiye umwe ari kumira mira Lisa"said
Dean.

"Diva namama taurai tinzwe


maizvitiirei,iwewe Dean ramba une moyo
wako wakanaka usachinja Mwari
vachakurangirira Lisa akandiudza
wakamira naye hauna kuita chitsotsi
pandakatumira mari dai ari Diva uyu
yakahafurwa"ndakadaro.

"Hakim ndikuda ma answers kubva kuna


mama naDaisy ndivo vakati Lisa anohura
vakati nhumbu haisi yangu maida ndiite
sei ivo vakatoti ukaramba uchidanana
naLisa ndofa neBP"said Diva.Mama
vanga vari zii zvavo vakanditarisa zvavo.

"Mira ndimbokubvunza pawakarara


naLisa wakawana akazara
here"ndakabvunza.

"Ehe anga akazara but hanzi aiwanza


chihure"

"Saka iwewe uri benzi wakatadza kumira


nemunhu wako wawakazvivhurira
wakatevedza mama ava havauzive
here"ndakadaro.
"Saka vana vangu muri kuti pazvese izvi
ndini ndiri wrong here"vakadaro mama.

"Mama tiri kuda kupedza pane


dambudziko plus pane imwe nyaya yenyu
namai Natty yatiri kuda kunzwa
mungakwanisa kuitaura here"

"Kana pane nyaya vanouya mangwana


votaura nyaya yacho ini maoko angu
akachena andina munhu
wandakauraya"said mama.

"Ko Daisy sei akafanana naMai


Lisa"ndakabvunza.

"Inhodzerwa idzo"vakadaro mama.

Vakabva vati vari kudzoka vakabva


vabuda nemota yavo.Ndakaona vadzoka
vakabata kabag maiita kunga mune
chinhu chirimo.Atina kuda kuvabvunza
ndakaramba ndakanyarara ndanga
ndakamirira kuti Mai Natty vazouya
mangwana vataure nyaya yacho.Noku
akazobuda akaenda kumba Daisy
akavigirwa chikafu naLean akadya
zvake.Ndakaona apfugama akunamata
vakabva vanamata vese naLean.Pamba
pedu ndakaona vanhu vaisakoshesa
zvekunamata izvo ndosaka satan
aitijairira.Mangwana ndakabuda
ndikaenda kumba kwaLisa ndikasvika
akagara nevana vake achichema.Moyo
wangu wakarwadza kuona achichema.

"Lisa ko uri kuchemei tell me chiii chiri


kunetsa"ndakabvunza.

"Mai Natty kani"

"Vaita sei Mai Natty vacho Lisa"


ndakabvunza.
"Hanzi vafuma vachiti musoro wavo
ukurwadza vadonha pavanga vakuenda
kunogeza vaendeswa kuchipatara ndizvo
zvakaitika futi kuna mai vangu izvi vakafa
ndosara nani ndivo vega mai vandasara
navo" akadaro Lisa.

"Eish Lisa usachema she will be okay


ngativabate paminamato please saka ini
mira ndiende kwavaendeswa"

"Toenda tese Bamukuru"

Ndakaenda kumba ndikanotora mota


naLean ,ndikatora Lisa nevana vake
tikarova pasi.Tikasvika paclinic tikasvika
Naison achinyaradza Natty.Sabhuku
vanga vakagara zvavo pabench
vakatarisa pasi.

_Mai Natty vanorarama here or vachafa


mafiro akaita Lister_

_zviri zvega here izvi_


*Kandaiwo macomments please* thanks
you kune vari kukanda macomments

*Watch out for chapter 37*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

Follow this link to join my WhatsApp


group:
https://chat.whatsapp.com/Ecq45HdRqIj3
HCzS5qOhi5
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 37*

*LEAN*
Zviso zvevanhu zvanga zvisina
mufaro.Naison aiva busy kunyaradza
Natty aichema.Vari Baba Naison vanga
vagara pabench vakatarisa
pasi.Ndakaona Lisa akuchemawo
nevana.Ndakatora vana ndikatanga
kuvanyaradza zvangu.Papera kanguva
doctor vakabuda vakati apana zvawaona
zvinenge zvine chivanhu mukati.

"Akaroya mai vangu ndiani veduwee"said


Natty achichema.
Mai Natty vakatorwa vakaiswa mumota
yemurume wangu.Vaingochema
vasingakwanise kutaura waiona wega kuti
mkadzi mkuru ari kurwadziwa.Vakabva
vaenda kuchipatara chihombe sezvo
doctor vati chimboendai kumwe
muzvitende.Ini naLisa takasara tikaenda
kumba zvedu netsoka.Lisa anga ari
ziii.Takafamba tikasvika pamba paLisa.

"Maiguru Lean ndoda tinamate izvozvi


kuti Mai Natty vapone satan ari
pakuvarwisa"said Lisa.
Takapfugama tikatanga kunamata
kwenguva yakareba.Ndakabva
ndagezesa ana 2 Lisa anga akagara ari
zii waiona kuti ari kufungisisa.Vana vaLisa
ndaivafarira zvisingaite ndakaona
twaisanyanya kunetsawo twaindidawo.

"Mai Tashy chiii kubva mabata shaya"

"Ndiri kurwadziwa mai Natty ndivo mai


vandasarirwa navo dai vakararama kani"

"Vanorarama usafungisisa mai 2"


ndakadaro.Pasina nguva ndakaona Diva
asvika anga akabata kabottle kehwahwa.
"Uri kudei pamba pangu iwewe get out
mhani"said Lisa achisimuka paanga
akagara achinosangana naDiva.

"Mai 2 itodzikama uri mkadzi wangu


iwewe apa ndauya kuona vana
vangu"said Diva.

"Never handisi mukadzi wako wanzwa


here,saka wati haudi kubva pano
here"akadaro Lisa.

"Pano pamba pagogo vangu dai uri umwe


wadzikama ndinoedza kuzvininipisa asi
iwewe ndiwe unozoita ndikuitire
hasha"said Diva.

Ndakaona Lisa atora bucket rine mvura


akadira Diva .Diva akanzwa hasha
ndakaona akuda kurova Lisa.Iye Lisa
wacho anga ane nharo ndakaona
anhonga dombo.Ndiko kumira kwakaita
Diva.

"Wakufarisa iwewe ko unondidira mvura


ndakuita sei ndauya kuona vana vangu"

"Vana ava avana baba wakavaramba


ichiri nhumbu uchindisema inini
muchindishungurudza namai vako hamba
handikude pano pano pamba pagogo
vevana vangu futi saka hakuna
kwandinoenda"said Lisa.Ndanga ndiri ziii
ndaisada kupindira nyaya dzevaviri ava.

Pasina nguva ndakaona Dean asvika


ndiye akasvika achipedza bopoto iri.Diva
akati ari kuda kutora vana
vake.Chandakaona apa Diva aida Lisa asi
aitongwa nemadrugs avanga
vakurova.Vainyanya kumawanza
ungatamba nemunhu anorohwa
nemutoriro.

"Vanhu vekwaMatemba musafunga


kunyarara kupusa pano andidi kuona
tsoka yaDiva namai Matemba kusvika
vakumbira ruregerero pane zvese
zvavakandiita"akadaro Lisa.

"Maiguru Lisa tiri kupanzwa chimbogarai


pasi timbotaura"akadaro Dean.

"Ndakazviona kuti munhu ukaita nherera


ukashaya mai vanhu vanokuita yese yese
andimbonyarari ini moyo wangu
ukurwadza"akadaro Lisa akuchema.

"Mainini Lisa be strong everything will be


okay, vese vari kukusemai vachakudai
rimwe gore mark my words"ndakadaro.
"Maiguru ndokufarirai dai pasina imi
naHakim ndisina kuwana mari yekutenga
zvinhu zvevana even chikafu chaicho
makaita basa"said Lisa.

"Thanks Dean ramba une moyo wako


wakanaka Mwari
vachakurangarira"akadaro futi Lisa.

Bamunini Dean vakabva vapfuurira


ameno vaiendepi.Ndivo vamwe vaisagara
pasi vanoswera
vachingofamba.Ndakaswera naLisa tanga
takumbotaura nyaya dzimwe.Kwava
kudoka ndipo pakauya Hakim akati asiya
mai Natty kuchipatara.Panga pasina
change.

"Daddy madiii kuti Lisa auye kurara


kumba nekuti haasi kunzwa mushe uyu
anoda munhu anomusimbisa" ndakadaro.

"Okay enda unomutora Lisa wacho"said


Hakim.

Ndakaenda kunotora Lisa akaramba akati


haadi akaramba
zvekurambisisa.Ndakamusiya akadaro
ndikanoudza Hakim.Hakim akaenda ariye
kunotaura naLisa.
"Mainini Lisa ndini ndakushevedzai andidi
mugare mega apa"said Hakim.

"Zvamataura ndazvinzwa asi ini ndikuda


kugara pano pamba penyu
ndakarambidzwa kudhara kupasvika"said
Lisa.

"Mainini Lisa kani"ndakadaro.

"As long Diva aripo handimbouye munoti


ndakapusa here mukuda kundiswededza
pedyo naye handidi better kutambura
nevana vangu"said Lisa.
Takasiyana naye tikaenda kumba
ndikambotaura nemurume wangu.

"Ko Lisa achine chikafu here ndiwe


unoswera naye"

"Andizive handina
kumbozvitarisa"ndakadaro.

"Hezvoo Lean be serious ,chienda


unotarisa ,zvese zvisiko uchinyora
pasi"said Hakim.
Ndakabuda kuenda kumba kwaLisa
ndikasvika achibika muboora wake une
dovi.Apa ndaiufarira sei takazodya
tese.Ndakatarisa zvese
zvaisavapo.Ndikazvinyora mufoni mangu
ndikabva ndaenda ndikaratidza
Hakim.Ndakanobika ndikapedza tikadya
as a family apana aisavapo.

"Mabikiro aya handimafarire hangu


unobika kunga usingade nei"said mama.

"Mama inga zviri kunaka wani


musanyeperwa henyu maiguru zviri
kunaka"said Daisy.

"Iwewe ndichakurova andidi utaure


pandotaura uri kuzvinzwa here
handingadye zvakadai ini"said Mai
Matemba vachisimuka kuisa plate yavo
pamakumbo angu.

"Idya ka unoti haugoni kuita basa pano


haugoni kubika apa wakabvisa chibereko,
last month ndakapotsa ndafa ndichirwara
iwe uchidya mari dzemwana wangu
uchimufurira kuti asandisendera ndiwe
wapandutsa mwana wangu"vakadaro Mai
Matemba.Ndakatanga kuchema
ndaishaya kuti mhosva yangu yaiva papi.

"Mama musada kukonana neni manzwa


siyanai nemkadzi wangu akakutadzirei
hee mkadzi mukuru hamunyare kuswera
kutuka varoora munoda varoora vakaita
sei Lean na Lisa hamuvade"akadaro
Hakim.

"Mama vane mademon chete hamusi


kuzvionawo ngatidanei Pastor
Mavitalo"said Dean.

"Pano andide zvisina basa pamba pangu


ndikafa mese mosara muchitambura
mukaita marombe uri kuzvinzwa here
Hakim"said Mai Matemba.

"Mama mandirwadzisa muri kundiratidza


kundishoora nemkadzi wangu munoziva
Lean ndiye aikutumirai mari ndiye futi
akakusenderei bag rehembe paya ini
ndanga ndakatsamwa nenyaya
yekushungurudza Lisa,mwedzi umwe
chete usina kuuya mari motoita kunga
igore"said Hakim.Tete Daisy vakauya
pandiri vakatanga kundipukuta misodzi
vachindisimbisa.Ndaingopedzera hasha
mukuchema ndaisagona zvekutaurisa.Mai
Matemba havana kupindura vakabva
vaenda kunorara muroom mavo.Vanga
vasingachadi kurara naDaisy anga
akurara ega muimwe room.Pamba apa
paitoda nyasha chaidzo zvakuitika zvacho
hazvichaite.Panyaya yangu yekushaya
mwana Mai Hakim ndaisavachenesa
hangu asi ndaingonyarara ndikazvitaura
zvozoita as if ndakavavenga.
Makuseni kwakaedza ndikamukira kuita
basa rangu.Ndapedza ndipo pakamuka
Mai Matemba ndikaona vabata mapoto
vakanyarara.Vakabika maspagetti avo
netea yacho vakangobika zvavo
vega.Apana chandakataura ndakaona
vagara paveranda vakudya
zvavo.Mukaka wakaitwa kuwanzwa
mutea hanzi regai ndimbodya mari
dzemwana wangu vasina vana ameno
henyu.Diva akamuka akaona mai vake
vachidya.

"Haaa nhasi maiguru Lean makurumidza


kubika magona itondipakuriraiwo changu
ndisati ndabuda ndikuda kumboenda
kumagirosa uko pane paita kagraft "said
Diva.

"Handisini ndabika ndimama vabika"


ndakadaro.

"Iwe ngomwa nyarara wanzi utaure nani


heee ukada kuonererwa ndinokurova
haundizive mushe iwewe"said mai
Matemba.

"Hezvo mama apa ndakunyarai kuti muru


mai chete dai ndakupai chibhakera
kudhara ,muri evil mother ndakuzviona
nxaaa mune hunhu hwakaora"akadaro
Diva achipinda mukitchen kunotarisa
akaona musina chikafu.Hakim nevamwe
vakamuka vanzwa noise.

"Mama mune shuwa kutanga rini kubika


chikafu chenyu mega ndimi mochitenga
here ndina mai benzi apa"akadaro Diva
anga agumbuka.

"Mukaka uri mutea here uyu haa mama


musadaro munoda kupedza nezuva one
here"said Dean.Mama vakasimuka
vachida kurova Diva.Diva akanzvenga
mai Matemba vakadonha vakasimuka
nehasha.
"Saka uri kuda kurwa neni here
iwewe"said Mai Matemba.

"Ndambodaro here ndati munoda


kumbonamatirwa mune zvikuru zviri
pamuri"said Diva.

Mai Matemba vakatukwa nevana vavo


vese ndakaona vakuchema vachiti vana
vangu mese rimwe zuva
muchandifunga.Vakabva vaenda muroom
mavo.Vana vamai Matemba vese
vakasara vakagara mudinning.
"Pano panoda kumbodanwa Pastor
Mavitalo nekuti eish"said Dean.

"Mai ava vanozviitisa chete manje neni


topedzerana ndoshaya chavanovenga
varoora vakavenga Lean naLisa sei
vanomboda varoora vakaita sei"said Diva.

"Isu ngative neunity and peace tisabvuma


kuparadzaniswa naivo vatinoti Mai vedu
izvozvi ndoda kumboenda kuchipatara
ndimboona Mai Natty vava sei,Lean
usakanganwa kupa Lisa zvinhu zviya
zvimwe ndichabva nazvo uko"said Hakim.
Hakim akabva abuda asina kudya akati
ari pafasting.Family yese yaiva
pamutsanyo kunze kwaDiva namai
vake.Takasara tikanamata Diva uyu
inyaya yemadrugs anga amupinda
muropa.Ndakaenda kunopa Lisa grocery
ranga rataurwa naDaddy ranga
rakawanda.Ava masikati Hakim anga
adzoka.Akauya nezvimwe zvakapa Lisa
akafara zvisingaite.Nezilight ranga rine
battery mumba maibva maita kunga mune
magetsi.Lisa akafara akatenda hubby
wangu kasingaperi.
"masiya mai vangu vari sei"akabvunza
Lisa.

"Ndauya navo hanzi pane chivanhu


chakaitika pavari ndavasiya kumba kwavo
ndanzwa zvichinzi vari kuda kuenda
kumaporofita"said Hakim.

Lisa akasimuka ari bara kunanga kwamai


Natty.Zvimwe zvaimboita Lisa
unotosekawo wega.Ndakatora vana
ndikatevera tikasvika Mai Natty
vakaradzikwa pasi peumwe muti paiva
nemumvuri.
"Lisa mwana Lister ndiri kurwadziwa
munhu akaita izvi kwandiri ndiri
kumuziva"said Mai Natty.Vaitaura
zvekumanikidzira.

"Ndiani mama" ndakabvunza.

"Ndinoshuwira sahwira wangu wepamoyo


Lister ari mupenyu"vakatanga kuchema.

"Havasi kutaura munhu akavadai vari


kungotaura zvekuti dai Lister ari mupenyu
dai Mwari vatora mweya wangu
ndinosangana naSahwira wangu"akadaro
Natty.
Lisa akapfugama akatanga kunamata
akabata musoro wamai Natty.Akapedza
nguva achinamata ndakaona Mai Natty
vakudikitira.Lisa akasimuka akapa Mai
Natty mvura vakanwa.Lisa akati mama
musatya naMwari watinonamata
munopora ndoda muzoona kubudirira
kwangu andife ndakakunganwai ndimi
mai vangu vandasarirwa navo.

"Sis Natty bikirai mama porridge vadye


vawane simba"said Lisa.Ndakashaya kuti
Lisa anonamatira here ndairamba
ndakamutarisa.Anga akarova
serious.Porridge rakaibva Lisa akapihwa
akatanga kupakisa Mai Natty vachidya
zvavo.Vakapedza zvavo vakambonzi
varare zvavo.Isu takavasiya vakarara
tikaenda kumba.

Pasina time ndakaona Natty achiuya


pamba paLisa achimhanya achifara.Akati
mama vangu vamuka vakutofamba vava
nani.

"Waita basa Lisa ndoshaya kuti ndokupei


chokukutenda nacho nekuponesa mai
vangu"said Lisa.

"Mwari vekudenga ngavarumbidzwe,


tenda iye musiki kana une mari enda
unoibvisa kuchurch ndiwo matendero
aungaita Mwari, anoponesa munhu
ndiMwari kwete munhu"said Lisa.

Takadzoka tikasvika Mai Natty vakagara


zvavo nemurume wavo vachitaura
nyaya.Wanga uchamboziva kuti ndivo
vairwara here.Baba Natty vaida kupa Lisa
mbudzi chaiyo asi akaramba kuri
kumutenda.

"Mai Natty ndimai vangu ini naNatty


hatina kumbosiyana ,Mama muchiri
kuziva muchiti ukava nefaith unokwanisa
kunamatira munhu akapora"said Lisa.
"Wabva wandifungidzisa Mai vako
mwanangu ,Mwari vakurangarire ramba
uchinyengetera usabviswe pana Mwari
wako uyezve unamatire vana vako vakure
vari vatano ndaona une bright future"said
Mai Natty.

"Okay maita basa mama"

"Lean ndoda ubatane naLisa


pamaprayers zvako zvinoita ,ndikanyatsa
kusimba ndoda tinomboswera kugomo for
2 days tinamate nezvako usambochema
gore rino hariperi usati wava nemwana
wako"vakadaro Mai Natty.

"Ko Natasha anogonawo kutsanya here"


vakabvunza baba vacho.

"Uyu anonetsa tikati ngatitsanye


unomuona achidya kuita chitsotsi ameno
hako Natty hupenyu hwako pana Mwari
hapadi chitsotsi"said Mai Natty.

Mai Natty vaivaka zveshuwa ndaishuwira


dai variwo Mai vemurume
wangu.Takazoenda kumba tichifara
tikasvika Lisa achigeza zvake.Ndakabva
ndaenda kumba ndikasvika Hakim
achitamba magame naDaisy.Mama
ameno vanga varipi.

"Hubby ndiri kubva kwaMai Natty hiiii Lisa


akaoma"ndakadaro.

"Aita sei Lisa wacho"

"Anamatira Mai Naty vakapora"

"Lisa chaiye here haaa


wakunyepa"akadaro Hakim.

"Ini andizvirambi akambonamatira futi


mama pavakarwara vakapora"said Daisy

"Aaaah saka ane chipo chekunamatira ka


mwana uya ngauye ambonamata pamba
pano padzikunurwe"

"Kuuya pano anoramba uyu ameno


chiii"ndakadaro.

Mazuva akafamba Mai Natty vanga


vasimba tikaronga zuva ratinoenda
kugomo kunonamata.Taida kuita ma
absolute e2days pasina
chawadya.Ndikaudza hubby akafara akati
ari kuda kujoinawo.Dean naDaisy vakati
vari kuda kujoinawo.Mai Matemba apana
akavaudza asi Diva akaramba.Takaenda
kugomo namai Natty nemwana wavo
Natty.Lisa akaendawo asi aidzika zuva
rava kudoka nenyaya yevana.Takaswera
tichinamata nemanheru acho.Kwakuedza
tikambobatwa nehope Mai Natty ndivo
vakasara vachinamata vega.Kwakuchena
tikamuka kunamata futi ndidzo time
dzakasvika Lisa.

"Ndakuda kuenda ndarwadziwa ndane


nzara ini"said Daisy.

"Daisy inga wanga wapedza zvakanaka


ndisatan akubata ingoshingirira
wozodzika panodzika Lisa"said Mai Natty.

Takanamata zuva iri masikati tikaswera


tichiparidzirwa naLisa.Ndaisaziva Lisa
anoparidza zvakadaro.Ari Hakim anga
ava ziii pamwe yanga yava
nzara.Tapedza pamaprayer request
zvikanzi naMai Natty ngatinamatirei Mai
Matemba vadzikunurwe.Pakanamatwa
asi ini voice ranga rapera.Lisa akudzoka
akadzika naDaisy.Isu takasara
tikazodzika mangwana makuseni.Takanzi
namai Natty munosvika muchidya
porridge rinopisa or tea.Takasvika
tichiona mashura asina kupfeka chaivo.
&vakaonei vanhu ava&

_drop your comments_

*Watch out for chapter 38*


[2/25, 5:23 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

Follow this link to join my WhatsApp


group:
https://chat.whatsapp.com/Ecq45HdRqIj3
HCzS5qOhi5

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 38*

*DAISY*

Ndakadzika kugomo naLisa ndikasvika


kudya pamba paLisa.Ndakarara ipapo
zuva iri makuseni ndakuenda kumba
ndipo pandakasangana neteam rangu
raibva kugomo tikaenda tese
kumba.Takasvika tichiona mama
vakapfunya chisero pamberi pavo paine
hari yaibutsa hutsi,vanga vakasunga
dhuku rered.Vaiseka ameno zvavaitaura
neumwe mutauro watisinganzwi.Ivo
pavakationa kana kumbovhunduka
zvavo.Mumba manga mazara hutsi.

"Ndoda munhu wese agare apa


sezvandakaita izvi"said mama.

"Kuti zvidiii ndochiii mama sei muchiita


zvinhu zvisina kurarama"said Hakim.

"Ndati garai pasi musaita nharo tiri kuda


kudzinga mamhepo epamba pano"said
mama.

"Saka mhepo yacho inobva nekungogara


pasi kwatichaita here" ndakabvunza.

"Muri kuita zvekutamba ka musazoti


andina kutaura"vakadaro
Mama.Ndakaona vasimuka vakatora
kadombo vakakachererera
pachivanze.Vakabva vatora mvura yaiva
muchigumbu vachikusha chivanze chese
nemumba.Vapedza vakanwa mvura
yacho vakada kutipa mkoma Hakim vakati
siyai vaite zvinhu zvavo vega isu
ngatisabata.
"Tina Mwari wekudenga anotichengeta
kwete zvimishonga zvisina basa izvi zvine
nguva yazvino expire"said Hakim.

"Iwewe ukaramba une hunhu hwako


ndaona waita rombe rekupedzisira une
pride too much unofunga kuita manager
kunoshamisira here ukaverenga bible
rinoti kudza baba namai vako makore ako
agowedzerwa panyika" vakadaro
mama.Vachitikusha mvura tese ikabvutwa
naHakim akanoirasa kunze kwegate
chaiko.
"Toda tinamate pano mukaona zvakudai
zvava pedyo kunaka kana mai vedu vane
zvavakaita chete nekufa kwamai Lisa
zvichabuda pachena"said
Hakim.Takatanga kunamata zvine simba
ameno Lean akabata hari yamama
akaiputsa ndakaona vakuda kumurova
vakabva vamira kunga pane
chavaiona.Mama vakabva vabuda vari
mufull speed ameno vaiendepi.Vanga
vachiita kunga vaimhanyiswa.Ndakasiya
team richinamata ndikatevera ndikaona
mama vaidonha vachisimuka.Vanga
vakatora direction yekwaMai Natty.Vanhu
muroad vaishaya chiii even ini
ndaisamboona chinhu
chaivamhanyisa.Vakasvika pamba pamai
Natty vakagara pasi pemumvuri vachidya
zvavo porridge nemwanasikana wavo.

"Mai Matemba ndiwo masvikiro anoitwa


pamba pevanhu here"said Natty.

"Mai Naison hona hona zvawakonzeresa


manje maenda kunosairira mweya
waLister kwandiri ka"vakadaro mama.

"Ndafara kuti zvakubuda pachena kuti


akauraya Lister ndiani munhu akafa
anovinga akamuuraya mai lisa vakafa
vaine hasha ukasareurira uchatambura
zvinorwadza kana kufa zvinorwadza lucky
vana vako vatsvaga Mwari nguva ichiripo
nekuti dai vasina kudaro mhosva dzako
dzaida kubata vana vako asi ndaona
mhepo idzi dzatambudza iwewe naDavie
uyo ngaatsvage Mwari nguva iripo"said
Mai Natty.

"Bettina uri kuedza kuti chiii kana


uchidaro iwewe naLister hamusimi
makatanga kundirwadzisa here gore riya
kana uriwe itonyarara apana kuporofita
kwauri kuda kuita apa"said mama.

"Kana uchida nyaya idzi dzitaurwe daidza


vana vako uzvitaure varipo ndivo
vanozotaura kuti ane mhosva ndiani
pakati pedu tiri vatatu naLister
wacho"said Mai Natty vachidya zvavo
porridge ranga rina dovi.Vaiita kunakihwa
regai vataure zvinyoro nyoro.

"Mai Natty mama vane hari inobuda hutsi


kumba uko hiiii kwakutyisa"ndakadaro.

"Futseki kushata nyarara apo hari hari


kudiii ndeyako here iwewe uchafira
mahara usapindire nyaya dzausingazive
ndinokurova ukafa usada kundinzwisa
hasha"vakadaro mama.

"Zvese zvavanazvo ndinozviziva


nekwavakazvitora ndinokuziva futi manje
azvina simba nezita raJesu"said Mai
Natty.Ndakaona mama vavhura ziso
vakatarisa mai Natty.Mama apana
zvakavataura ndakaona vakudzoka
kumba vachingobuda chivanze chamai
Natty vakatanga kuridza mhere
vachidzoka kuna Mai Natty.

"Iwe Mai Hakim wakuzondibhowa manje


ukutadza nei kureurira zvawakaita unoti
unosvikepi"said Mai Natty.

"mai Naison ndibatsirewo ndoda kuenda


kumba please"said mama vakunzwisa
tsitsi.
"Daisy unamate ndaona pane zvaitika
kumberi uko nekuda kwamai vako ava
uudze Diva futi anamatewo"

Ndakatanga kudzokera kumba kwangu


ndakaona mama vakutevera kumashure
kwangu.Vachicheuka cheuka andina
kumbotaura navo.Ndaishaya sei vaitadza
kureurira pane zvavakaita.Ndakatanga
kuzviona ndega kuti ndivo vane chekuita
nekufa kwamai Lisa chete.Takasangana
naLisa akabereka umwe mwana umwe
akaita zvekubata zvake.

"Hiiii vazukuru vangu ndipe


ndimbovabata"said mama.Lisa akaramba
akatarisa maoko amama.

"Sorry mama maoko enyu akasviba"said


Lisa.

"Iwe maoko akasviba papi aya inga


akachena wani"said mama.

"Mava munhu mukuru kana ndichiti


maoko akasviba amuzive zvandinenge
ndichireva here"said Lisa.Mama vakatora
zveforce mwana kuna Lisa vakatanga
kufamba vakabata mwana.Kamwana
kacho kakatanga kuchema.Lisa akatanga
kutevera takasvika kumba vanhu
vachidya zvavo.

"Ndipei mwana wangu mama please"said


Lisa.Kamwe kacho kanga kakaberekwa
ameno kakamuka nguvai kanga
kakuchemawo.

"Ungandirambidza kutamba nevazukuru


vangu iwewe kana ndichinge ndafa ndivo
vandinosiira nhaka kwete mapenzi
aya"vakadaro mama.Lisa akapihwa
mwana wake akabva abuda
hake.Achingobuda vana vakabva
vanyarara vega ndakaona kuti
patwaichema pamba pedu pamwe pane
zvatwaiona.Lisa akabva aenderera mberi
nerwendo rwake.Ini ndakapinda mumba
mairara mama ndikabuda nerimwe bag
reblack maita kunga mune chinhu
chirimo.Panguva iyi mama vanga vari
kugeza.

"Ko bag ramama unoridii nhai Daisy"said


Dean.

"Moyo wangu ukuda kuona zviri kubag iri


ndiro rakaita ndisarare umo
vakandidzinga"said Daisy.

"Vhura tione kuti munei"said Dean.


"Ko kana mune nyoka ndikarumwa andidi
vhura iwewe"ndakadaro.

Ameno mama vakabuda sei ndakaona


vauya vakamonera zambia vakazara sipo
vakabuda nebag ravo.Hakim
akanovabvutira bag iroro.Mama vakabva
vakatsvedza vakadonha bag ranga
rakuvhurwa naHakim.Mubag macho
manga mune mazai maviri nechimwe
chimuti chakabairwa tsono mbiri pakati
chakasungwa nejira rered.

"Ndoda kupwanya mazai aya"said


Hakim.Akadari achimapwanya
akavhomora tsono dziya padzanga
dzakabairwa.Zvimwe zvese zvikapiswa
mama vanga vakuchema.Apana
akavanzwira tsitsi takaona vasimuka
vakuenda kubathroom.

Mama vanga vava zii zvavo


vasingachataure nemunhu kana kudya
vakuramba.Chiona musoro vanga
vasingachakame sezvo vaiva
vasingacharukwe.Lean ndiye akanzwa
tsitsi akabika chikafu akapakura akatanga
kuita zvekuvapakisa ivo vacho
vaidya.Ndipo pandakaona kuti maoko avo
anga apera simba even kutaura vanga
vasingachagoni.

Mama vanga vakugara vachichema kana


vari vega ini ndaizviona.Ndakaudza
mkoma Hakim vakati chimbosiyai
vakadaro kana pane chavanoda kutaura
vachataura havo.Kuchipatara mama
vakaramba kuenda ameno chii.Diva
akabva auyawo akadhakwa apana
akataura naye.

"Ndakunzi baba 2 ndimbonzwa anonditi


Diva ndinokugura musoro"said Diva.

"Haaa vana vaya vana baba benzi"


ndakadaro.

"Iwe Lean mabika here ndane nzara"said


Diva.

"Lean wacho mkadzi wako here usajairira


mkadzi wangu wanzwa here, tiri
pakugadzirisa nyaya dzamama iwe woita
take take nedoro"said Hakim

"Regai ndinodya kwaLisa munoti


handinawo mkadzi here ndimboona
vapfana vangu"akadaro Diva achibuda.
Ndakasara ndikafunga mashoko amai
Natty vachiti Daisy ugare uchinamata
ndaona zvaitika kumberi nekuda kwamai
vako.Ndaishaya chii chikuda kuitika
zvakanaka here or zvakashata.Ndanga
ndakutotya andidi kunyepa.Mazuva
akafamba mama vanga vava kudzikira
muviri wavo.Lisa ndiye akauya akavapa
mvura inodziya vakanwa vakatanga
kutaura.Lisa akatora mvura iyi akaidira
mumaoko amama.Lisa anga akunamatira
sekutamba sekuseka.Ndaimbofunga kuti
kujumha asi ndakaona aiva nechipo
chacho.Kana kumbotendawo avana mai
vangu vanga vane dambudziko.Ndakaona
vachiombera maoko avo kuri kuda kuona
maoko avo ava nesimba here.
"Gogo vana 2 ini handina kukuvengai
ndokudai chero imi makandivenga asi
ndinoti Mwari vakuchengetei ndoda
vazukuru venyu vakure vachikuzivai"said
Lisa.

"Ndozvandokudira Lisa hauchangeti


chigumbu ndoda kutokuroora tigare
tese"said Diva.

"In your dreams Mr Diva,iwewe andikude


usafunga kuti kukubvumidza kuona vana
kukuda ndogona kungozvivharisa futi
haundizive mushe"said Lisa akarova
serious.
"Zvivharisei maiguru Lisa"ndakadaro.

Lisa akangoseka hake.Tashia kanga


kachitamba naGogo vacho
kachisekerera.Ini ndanga ndakabata
Tashley wekufanana naDiva.Lisa haana
kugarisa akabva aenda kumba kwavo.

*LISA*
"Lisa ndoda pese paunonamata
unamatire Daisy and Davie for protection
"said Mai Natty.

"Ko hindava mama maonei"

"Chingoita zvandataura Lisa,ndafara


nezvawakaita kunamatira gogo vana 2
usavavenga satan ndiye akavagara"said
Mai Natty.

Handina kugarisa ndakabva ndaenda


kumba kwangu.Ndikasvika kumbodya
zvangu cerevita ko ndotadza kuidya nei
ndakatengerwa naBamukuru
Hakim.Twese twonaka ndanga ndinatwo
kusasimba kuda uko.Noku anga
asingachabatike ndaishaya kuti ariko here
kumba.Ndakafunga kuenda kumba
kwababa vangu.Ndakasvika mai Gift
vakagara zvavo pachivanze vachisona
hembe dzavo.Asi Noku andina
kumbomuona.

"Ko Noku aripi"

"Wambondimhoresa here pawasvika


unotanga wamhoresa varidzi vemusha
uno wozotaura"said Mai Gift.
"Makasimba here varidzi vemusha
uno"ndakadaro.

"Takasimba chaizvo"

"Zvakanaka ko ndingakwanisawo kuona


Noku here" ndakadaro.

"Nokutenda haapo akaroorwa"said Mai


Gift.

"Kuroorwa nani"ndakadaro hana


yakurova.

"Ameno haana kumbodzoka pano uyu


obvious akatizira angaendepi anga
akuzvinyanya mupfana wako"

"Oh no no Mai Gift tell me makaisepi


Noku"ndakadaro ndakuchema.

"Hezvo ndati handizive iwe"

Ndakaona kunga Mai Gift vaiziva kuna


Noku.Ndakapinda muroom make
ndikaona hembe dzake dzirimo.Zvekuti
Noku akatizira ndakaona kuti manyepo
ekuda kungondirwadzisa chete.Ndakati
ndomirira chete ava manheru ndakaona
akuuya akazara madhaga.Dama ranga
rakazvimba ndichiona munin'ina wangu
akadai moyo wangu
wakarwadza.Ndakatoona ndega kuti
aitambudzwa pamba apa.Akamhanya
kundimbundira achibudisa musodzi.

"Sis Lisa ndasuwa mama"said Noku.

"Nokutenda my lil sister kana neni


ndavasuwa dai varipo zvinhu zvisina
kumira kudai zvino havapo
ngatingotambira zviripo"ndakadaro.

"Moyo wangu uri kurwadza ndinoswera


kumunda uko ndinodya makuseni
chete"said Noku.

"Ko mudhara wakavaudza here"


"Mudhara avana care neni vanongoda
kaGift kavo even vakauya vanovigira Mai
Gift hembe naGift ini apana
chandinopihwa ndinotukwa kuti mwana
wehure naivo baba"said Noku.

"Baba vanenge vakazodyiswa chete ,mira


ndinoudza mai Natty nekuti mai Gift
ndakavaona kubva kudhara kune moyo
wakasviba"

Ndakabva ndaenda kumba kwamai


Natty.Ndikavaudza nyaya yangu sabhuku
vanga varipo vakarwadziwa nenyaya iyi
vakatoti wagona wauya kutaura.Tovada
kudare nababa vako ivavo.Baba vakabva
vatofonerwa kuti vari kudiwa kuno
emergence.Ndakaenda naMai Natty
kunotora Noku.Takasvika achirohwa
hanzi waudza Lisa kuti chii.

"Wakajaidzwa mkadzi iwewe manje zviri


kuzopera tatofonera murume wako Potse
asvike kuno pasina izvozvo muchademba
nekushungurudza mwana asina nemhaka
uyu"said Mai Natty.

"Saka kuranga mwana imhosva here


ndikuda afambe mugwara"said Mai Gift.

"Okay uchazozvitaura pamberi pedare


izvozvo stop child abuse"said Mai Natty.
"Noku tora hembe dzako tiende wava
kunogara kumba kwangu"said mai
Naison.

Noku akarongedza hembe dzake.Tikabva


tarova pasi ndakaona Tracy asara
akabata musoro.

"Noku tell me chii chaitika"said mai Natty.

"Mama ndoshaya mhosva yangu ndeyei


mukatarisa kumunda uko ndini
ndakaupedza kusakura ndega apa
ndanga ndakurima wekumusoro uko
vaindituka vachiti mwana wehure apa
baba ndikavaudza vaindituka kana
kundirova vakandirambidza futi kuenda
kwasis Lisa hanzi Lisa haana hunhu
unopandutswa ukaita hure"

"Potse zvaari kuita anozvishoresa neraini


rose,Tracy ndakagara ndamuona kuti
akangwarisa ,Noku andikurase mai venyu
vakasiya vanditi take care my daughters"

"Ko ndiudzeiwo kuti ndiani akauraya


mama vangu"
"Iyo inyaya hombe Noku ndoda
kuzongoitaura ka1 munhu wese aripo
nefamily yekwaMatemba"

Ndakasiya Noku pamba pamai


Natty.Ndikaenda kwangu ndikasvika Diva
akagara padoor pangu.Handina kutaura
naye ndakamusiya akadaro.Ndakavesa
moto ndikabika sadza rangu ndikadya
Diva akatarisa andina kumbomupa.

"Haaa mai 2 unonyima ndazviona hangu"

"Kana wazviona zvakanaka shamwari"


ndakadaro.
"Lisa unomboziva ndokuda here"said
Diva.

"Handizvizive ko ndikazviziva ndozodii"

"Nhasi ndiri kunzwa kukuda mai2


ndagarisa"said Diva.

"Kana uchiti uri kunzwa kundida uri


kurevei nhai Diva"

"Usaita kunga mwana mudiki"said Diva


achiuya pandiri akada kutanga kundibata
bata.Ndakamupa mbama iye
akandidzorerawo.

"How many times uchindirova


wakundiona kunga fuza rako sei usingadi
kudiwa"said Diva.

"Diva ndakati andikude imhosva here iwe


wandibatirei heee ndiwe wanditanga kana
uchifunga tichadzokerana kanganwa
shaa" ndakadaro.Ndakaona andibata
zvechisimba kuda kundibata chibharo
ndakamuruma.Achisimuka ndakamupa
bhutsu pakati pamakumbo achidonha
ndikatanga kubata chinhu chake
ndikatanga kuchimonya.Ndanga
ndatsamwa panguva iyi ndipo pakasvika
Mai Natty ndivo
vakazobata.Ndakavambundira ndikatanga
kuchema

_ko mai matemba vachazodiii kumberi


uko_

_ko Diva madrugs here ari kumuita adaro


or kuzviitisa_

_ko Potse achaita sei kudare_


*Lets encourage our author by
commenting*

*Watch out for chapter 39*


[2/25, 5:24 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/Ecq45HdRqIj3
HCzS5qOhi5
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 39*

*NOKU*
Pasi pano kune vanhu vane hutsinye
zvekuti unotofunga kuti vana vasatan
here.Vamwe vanhu unoshaya kuti vane
moyo here.Mazuva andakagara namai
Gift ese yaingova misodzi chete
pamatama.Ndaishaya kuti mhosva yangu
ndeyei.Baba vangu vanga vachinja
vakutevedza zvotaura mkadzi wavo.Mai
Natty vanga vane moyo
wakanaka.Ndaimbovashoora ndichiti
vane chekuita nekufa kwamai vangu.Asi
ndakaona kuti vanenge vaitonyeperwavo
namai Hakim.Baba vangu vakauya
makuseni pamba pamai Natty.

"Ko tarisa Nokutenda wondiudza kuti


akaita sei"said Baba Naison.

"Mwana uyu haanzwe ane misikanzwa


too much"

"Kana mwana akaita musikanzwa ndiwo


mabatiro amunomuita here ichild abuse
yamuri kuita naTracy ka iyi"said Baba
Natty.

"Haisi child abuse saka mwana


haachashande here tinenge tichimu traina
kuti akura achigona kubasa"said baba
vangu.
"Potse apa ndati nditaure newe
zvakanaka ndafunga kuti uchazvininipisa
asi uri kutoita nharo ndakazviona hauna
care nevana vako bata mashoko angu
pane zuva rauchavafunga ava"said Baba
Naison.

"Muudzei akajaidzwa murume uyu


pamwe akatodyiswa naTracy,Noku
ndakutomuchengeta pano Mai Lisa
vakasiya vandiudza kuti take care of my
daughters vaiziva zvichaitika enda unoita
vaunoda vana naTracy"said Mai Natty.

"Mai Naison handina kuuya kuzoita


zvehondo saka muri kuti Tracy ndiye ane
problem here uyu Noku pane zuva
raasina kurara kumba munoti zvofadza
here"said baba vangu.

"Saka muri kundiudza kuti mese


mukushungurudza mwana nekuda
kwezuva one raasina kurara kumba
here"vakabvunza baba Naison.

"Vari kunyepa ava zuva ravari kutaura


ndanga ndiri kuchipatara musi wakanwa
twin wangu mushonga,ndakaudza mkoma
Hakim kuti vaudze mai Gift kuti handisi
kuuya"ndakadaro.

"Twin wako upi wauri kutaura"vakabvunza


Baba vangu.

"Daisy Matemba"

"Daisy ndiani usada kuti vhara vhara


ndakakuona kare kuti wakangwarisa
iwewe ukapusa uchamitiswa zvakaitwa
rwusis rwako"said baba.

"Nyaya yaDaisy ndinoda mhinduro kwauri


Mai Natty zvakazombofamba sei kuti
azofanana naNoku"vakabvunza Sabhuku.

"Kana muchiti mukuda mhinduro kwandiri


muri kurevei endai munobvunza ivo Mai
Hakim hanty ihure renyu here" vakadaro
Mai natty vachisimuka.

"Bettina gara pasi apa handidi zvisina


basa pano watsamwei pindura
zvandabvunza"said Baba Naison.Ivo mai
Natty vakabva vagara zvavo pasi.

"Baba Naison ini nyaya


dzamakundibvunza handina chandinoziva
endai munobvunza iye Mai Hakim
wacho"said mama naty.

Baba Natty vakabva vasiyana nayo nyaya


yacho.Asi baba Natty vanohura namai
Matemba kani zvavanzi endai
munovabvunza hanty ihure renyu
here.Mai Natty vanga vasisina mufaro
vakabva vasimuka vakanogara mukitchen
maiva naNatasha.Baba vakambotaura
naSabhuku vachikumbira ruregerero
vakanzi izvozvi Noku achambogara pano
uchimuda unenge wakutaura naivo mai
Natty vamutora.Vakasimuka vakaenda
kunotaura namai Natty.

"Ini handidi kudzokako ndoda kumbogara


pano"ndakadaro.

"Wamunzwira wega mwana wako" said


Mai Natty.

Baba vakabva vaenda vanga


vakagumbuka ameno kana
vakanowirirana namai Gift kumba
uko.Ndakasara ndichifara zvangu naSis
Natty.Mudinning mamai natty manga
mune mamwe mapikicha avakatorwa
namai vangu kare vachiri
vadiki.Ndakaona kuti vanhu vakabva kure
vese.

"Noku ndiani wawaziva apa"said mai


naty.

"Ndimi namama vangu"


"Ehe ndikare ndiwo madays andakazvara
Naison aya"vakadaro.

"Hooo ko mama tell me ndiani akauraya


mama vangu"ndakabvunza.

"Nyaya iyi ndoda kuzongoitaura ka1


nekuti inondirwadza neniwo mirira nguva
chokwadi chakuda kuzobuda mwanangu"

Chikafu chakapakurwa tikadya


tikanamata ndokurara.Ndakarara naSis
Natasha muroom mavo.Makuseni
ndakamukira kuitawo basa ndikanzi
chimbozorora mwanangu namai Natty
ndakabva ndangogara.Ndanga ndajaira
zvekushanda ini.Ndakaona Daisy asvika
ndakamumhanyira ndikamumbundira.

"My mom my twin ndanga


ndakusuwa"ndakadaro.Ndakaona mai
Natty vatitarisa vachinyemwerera.

"Kana neni asi hauite twin kutadza kuuya


kundiona ndakasvika pamba penyu
ndikamhanyiswa namai Gift"said Daisy.
"Ko Noku sei uchiti my mom"vakabvunza
mai Natty.

"Iphoto copy yamai vangu ndosaka


ndichidaro iye Daisy anozviziva
ndakamuratidza mapics
amama"ndakadaro.

"Okay ko Daisy wasiya mama vari


sei"said mama natty

"Vari bhoo havasi kumboda kutaura


nevanhu avo andizive chii"
"Okay mwanangu pamwe pane zviri
kuvadya moyo unaudza Hakim ataure
navo mune zvakanaka vanogona kutaura
zviri kuvanetsa"said mai natty.

"Okay ndichavaudza"

Takabuda zvedu naDaisy tikaenda kumba


kwasis Lisa tikasvika vachipfekedza
ana2.Vanga vabva
kuvagezesa.Ndakabata Tashia uyu
akatora Tashley tikatanga kufamba
takavabata.Hatwuna kana kumbochena
Tashia ndiko kakada kumbonetsa
kakazonyarara hako.
"Haaa aka kubva kafanana namai vako
iiiih"ndakadaro.

"Dai kakasotodza hunhu hwamai vangu"

"Ana Tashia ndivo vanokopa zvese


nehunhu ava nemanetsero akanoita sis
vangu so"ndakadaro.

"Kanoda kumborova kanodzikama ako


kanozviitisa"
"Haaa unopenga kachiri kadiki aka
kanozivei"ndakadaro.

Pasina nguva takaona combi yamira


pamberi pedu.Manga mune mkomana
uya friend yaDiva ameno anonzi
ani.Takaramba tichifamba ndakaona
adzika akauya kumira pamberi pedu.Aiva
neumwe mkomana mutsvuku so.

"Noku naDaisy long time muri sei"said


mkomana uya.
"Tiri bhoo" ndakadaro.

"Ras Fidza ukumbodei kuno"said Daisy.

"Ndauya kuona Ruva remoyo wangu"said


Ras Fidza.

"Hooo zvakanaka isu rega tiende"said


Daisy.Matarisiro anga akandiita Ras
Fidza wacho kunga achandidya.

"Noku ndokumbirawo kutaura newe


2mins chete"said Ras.
"Ingotaura uyu aripo nekuti hatisiyane
munoti handisi kuzviziva kuti mukuda
kundipfimba regai ndigare ndakurambai
handikudei"ndakadaro ndikatanga
kufamba Daisy akatevera achiseka.Ras
Fidza ndakaona vapusa anofunga kuti
ndakapusa manje maths dzake ndagara
ndadziona.

"Haaa ngatange agera ndebvu apa haana


mari"said Daisy.

"Ndebvu dzake ungati zvisukiso


zvehari"ndakadaro Daisy akatanga
kuseka.
"Noku uri mupengo mufesi uyo atapirirwa
newe"

"Iwewe ndakuona watapirirwa naKedha


anga ari mumota uya"ndakadaro.

"Aiwa Noku vanhu ava vari kufunga


takapusa ishamwari dzaDiva ndofunga
vakanyeperana kuti kumusha ndiko kune
vasikana vakapusa"said Daisy.

Takasvika pamashops Daisy ndiye anga


ane mari akatenga mazep tikadya
zvedu.Ana 2 kana kumbonetsa zvatwo
kaTashia kanga karara zvako kari
mumaoko angu.Takadzoka kumba
tikakona nepamba pamai
Hakim.Takasvika Hakim naLean
vakagara seri kwemba vachisasana
zvavo.Pavakationa vakanyara vanhu
vaidanana zvandakafarira.

"Vana imi ka manga masvika nguvai


ipapa"said Hakim.

"Tasvika kare taona zvese zvamanga


muchiita"said Daisy.

"Aaah tete"said LEAN.


"Ko mama varipi"akabvunza Daisy.

"Varimo mumba umo"

Takapinda mumba macho tikaenda


mubedroom mavo.Wow manga
makanaka apa zibed racho
handichataure.Mai ava vanorarama kalife
kekutown ivo vari paruzevha.Vanga
vakarara zvavo.Patakapinda vakavhura
maziso vakamuka kugara.Vakaramba
vakatitarisa apana chavakataura havo.

"Muri sei Mai Matemba" ndakadaro hangu


asi kutaura chokwadi ndanga
ndakavavenga.Apa ndaingoita zvinhu
zvekuti Daisy asafunga ndakavenga mai
vake.

"Uri sei Nokutenda gara hako pabed apa


hiii maita basa mauya nevazukuru
vangu"vakadaro.Ndakashamisika kuti sei
vanga vari cool kudaro.Ndakavapa Tashia
kakabva kamuka zvako
kaingosekerera.Pamwe kufarira gogo
vacho ameno.Ndakaona vakuyeredza
misodzi vakabata Tashia.

"Saka mava kuchemei hamusi kuona kari


kusekerera here aka"said Daisy.
"Daisy ndiri kurwadziwa nezvandakaita
mai vana 2 andizive chii chaimboitika
pandiri"said Mai Matemba.

"Mama apana chonetsa apa mokumbira


ruregerero asi ndiudzei kuti mazai aya
netsono ndezvei"

"Inyaya hombe iyo Daisy ndichakuudza


ndakagadzikana mese vana
vangu"vakadaro.Vachisimudza simudza
zvavo Tashia.Vakabva vatora Tashley
vakavabata vese.Vakabudisa foni yavo
vakati tivatore mapikicha vakabata
vazukuru vavo.
*LISA*

Ndakaona pamba pangu pasvika combi


mukaburuka shamwari yaDiva iya
nemkomana mutsvuku wandisina kuziva.

"Kedha uyu ndiye mkadzi waKing


Diva"said Ras.

"Saka sei achiita kunga asina mkadzi uyu


munhu bhoo manje anoda kuchengeta
manje"said Kedha.

"Muri sei Mai Matemba"akadaro Ras.

"Mai Matemba ini here, andisi mkadzi


waDiva"

"Wow kane voice rakatetepera wena


rakanaka"said Kedha.

"Watotapirirwa naye here"said Ras.

"Varume imi mavingei pano"


"Toda kuona murume wenyu Diva"said
Ras.

"Akati anogara pano ndiani,pamba pavo


apo"ndakadaro ndakanongedza.

"Iye akati tinofana kusvikira pano, saka


mukuti amusi kufambidzana naDiva
here"said Ras.

"Zvinei nemi siyanai neni" ndakadaro


ndakuenda kunogara zvangu kuseri
kwemba yangu.Pasina nguva ndakaona
Diva asvika akaita kupera
nedoro.Akasvika kutaura nemashamwari
ake.

"Apa Diva wakazvibatira hako kachiri


kechidiki wena dai uri umwe
wambotsvaga basa wachengeta munhu
wako uyu"said Kedha.

"Basa ndichatsvaga hangu ndakunzi baba


2 chimbomirai kunditi Diva ndava munhu
mukuru ini iyeye munhu wamuri kuona
uyo ndakaperera paari"akadaro Diva
achindinongedza.
"Zvakanaka ndazvifarira ko imba yawakati
uri kutengesa wakazodiii buyer wacho
akundinetsa hanzi Diva aripi"said
Ras.Ndakashamisika kuti Diva akuda
kutengesa imba humwe hurombe
zvahunoita so.

"Panyaya yeimba handina kunga


ndazotaura nemkadzi wangu mira
ndinotanga ndataura naye"said Diva
achiuya kwandiri.Akasvika kupfugama
pamberi pangu zvinomboitawo Diva so
ndakaona mafriends ake
akuseka.Ndofunga vanga vakufunga
ndakamudyisa chete.
"My everything handina kunga ndataura
nyaya yeimba ndikuda kuitengesa
ndotengesa chii mota neimba"

"Diva ukatengesa imba unozogara kupi


tanga wafunga usati watengesa ibva pano
ukunhuwa doro"ndakadaro.

"Nhasi uri too soft nhasi


unombondivhurira ka"said Diva.

"Futseki mhani kuvhurira kudii pese


unenge uchingofunga kurara neni
kanganwa enda unotengesa imba yako
uko" ndakadaro ndichisimuka.
Ndakaona akuenda kune team rake
ameno zvaakataura navo.Vakapinda
mucombi vakarova pasi.Vana vangu
vakazodzoka hanzi kana kumbonetsa
vaitamba nagogo vavo.Ava manheru
ndakaona Diva akuuya pamba
pangu.Akasvika ndichitodya sadza
nenyama yandanga ndapihwa naLean.

"Lisa ndikuda kutaura newe"

"Taura tinzwe"
"Is that true wakisana naKedha pauya
pano"

"Ehe ishuwa"ndakadaro.

Akabva andirova ndakabva ndamutema


neplate yesadza yandanga ndakabata.

"Kunditema une shuwa here Lisa,


kuramba kurara neni zvoreva pane wauri
kurara naye ka,unopenga wanzwa unondi
cheater kuti zviitei sei hee"

"Kuti uri murume wangu here kundirova


kwauri kuita uku uchademba hako rimwe
gore kushata satan wemunhu ehe ndine
wandiri kurara naye nxaa" ndakadaro
ndichipinda mumba ndikakiya door rangu.

Diva ndaiti achachinja manje aiva worse


uyu kumuregerera kuchanetsa.Ndiye
munhu anoda kundibvisa pana Mwari
andizive sei.Makuseni Lean naHakim
vakauya pamba pangu ndikavaudza
zvakaita Diva.

"Diva pese paanouya pano haatadze


kundirova musi uno aida kundirepa
futi"ndakadaro.
"Very sorry mainini ndoda kupedzerana
naye nhasi"

"Ndafunga hangu kuenda kutown


kunotsvaga basa chero remumba zviri
nani as long kure kusina Diva"

"No chimbomirai ndakaronga zvekuti


muende munoita malessons mukapedza
moita course yamoda"said Hakim.

"Okay thanks bamukuru asi muudze Diva


andimude pano vana ava akavaramba
ichiri nhumbu saka anditodi kumuona
pavana vangu" ndakadaro.

"ndapanzwa musatya ipapo


topagadzirisa,saka moda kuzoita course
ipi" said Hakim.

"Ndoda kuita Electrician"ndakadaro


ndakavhara face nemaoko.

"Hoooo kutevedzera Diva mainini ka"said


Lean.

"Ndaimboda kuita nurse asi


ndakazochinja hangu pane zvandakaona
hangu musi wandakaenda kunopona ana
2 ndizvo zvakaita ndichinje",

"Ndafara manje muchafa nemari


mukapedza course yenyu ndichakutorai
kuti mushande pacompany pangu pane
umwe mudhara anoziva zvemagetsi
mukashanda naye munodzidza
zvakawanda zvekuti ana Diva ava
vanenge vava kukusalutai panyaya
dzemagetsi idzi"said Hakim.

"Hiiiiiiiiii really thanks ndafara hangu"said


Lisa.
_Diva achachinja hunhu hwake here_

_Mai Matemba vachinja here_

*Next chapter ndiyo ichabuda zvese


masecrets akavanzika*
*Watch out for chapter 40*
[2/25, 5:24 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/Ecq45HdRqIj3
HCzS5qOhi5

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*CHAPTER 40*

*NOKU*

Pamba paMai Natty painakidza vanhu


vacho vaindifarira.Mai Natty vaindibata
sekacheche.Ndanga ndavenga baba
vangu zvisingaite.Rimwe zuva tichibva
kugarden kwana Natty ndakasangana
nababa vangu vakabata bag ndofunga
vanga vakudzokera kubasa kwavo.Andina
kuvamhoresa vakangomhoreswa naNatty
chete.

"Nokutenda kahunhu kako aka handikade


uchinje apana chombochinja ndini baba
vako Mai Gift ndivo mai vako"

"Pakuti Mai Gift ndimai vangu ndoramba


bodo mai vangu vakafa"ndakadaro.

"Saka Natasha mai vako ndizvo


zvavakatorera mwana wangu kuti
vanomuudza zvakashata pamusoro
pangu nemkadzi wangu kuti ativenge"said
baba.
"Baba Lisa kana mune nyaya namai
vangu endai munotaura navo nekuti ini
apana chandozivawo"said Natty.

Baba havana kupindura vakabva


vatopinda mumota yanga
yasvika.Ndakasvika kumba kwaMai Natty
tikambodya nzungu zvedu.Papera
kanguva ndakaenda kunotandara kumba
kwasis Lisa.Ndakasvika vachitamba
game reSnake Xenzia pakafoni
kavo.Vana vavo vanga vakarara.

"Noku ko uri kumbonamatawo here


paunorara kana paunomuka"

"Ehe sis ndonamata ini"

"Hooo kana uchidaro zvakanaka mwana


wamai"said Lisa.

"Saka sis muchadzokerana here naDiva"

"Handidzokerani naye Noku apa ndikuda


kuitiswa malessons ndozoita kacourse
kangu kemagetsi"said Lisa.

"Ko zvamaiti muri kuda kuita nurse"

"Haaa ndakazochinja hangu"


Papera kanguva ana 2 vakabva vamuka
vakatanga kuchema.Mai vacho vakatupa
mukaka tukabva twanyarara.Sis vangu
vanga vadzikira muviri wavo ndofunga
kuyamwisa kunoondesa ameno.Papera
nguva Diva akabva asvika anga
akachena ndakashaya kuti anga
afungepi.

"My wife namainini vangu muri sei"said


Diva.Sis Lisa vakaramba vakanyarara ini
andina kudairawo.Diva ndakamuona
atora Tashley akakasimudza.Lisa apana
zvakaita akaramba ari zii.Diva uya
akatora Tashia akavabata vari 2.Akabva
atanga kuenda navo.Sis Lisa
vakamhanya kunotora vana vavo.

"Uri kuendepi nevana vangu


iwe"vakabvunza sis.

"Saka ndakurambidzwa kufamba


ndakabata vana vangu here"

"Haungosviki uchitora vana chimwe


chinhu ava vana vangu havasi vako
wakavaramba ichiri nhumbu"

"Handina kuvaramba asi ndaisazivawo


kuti vana vangu ndaifunga handizvare
plus moms vakati waihura madays acho"
"Ehe ndaihura vakataura chokwadi avasi
vana vako ava"vakadaro sis vachitora
vana vavo.Tashia kakabva katanga
kuchema ndofunga kuti manditorerei kuna
daddy vangu.Ndakatora kanga
kakanyarara kacho sis vachinyaradza
Mbuya Matemba vadiki vaichema
ava.Diva akadzoka akagara pamusoro
pebucket akabata shaya ameno chii
chaifungwa.

Ndakaona Daisy namai vake vachiuya


kumba kwaLisa.Vasvika sis
vakanowaridza rupasa pasi peumwe
mumvuri vakagara ipapo.Mai Matemba
vanga vava cool ndaishaya kuti
chiii.Ndakaona vabata vazukuru vavo
vachifara navo.Iko kaTashia
kuzosekerera ndaivaona hangu kuti
vaifara zvisingaite.

"Ko Ba2 kubva wabata shaya kudaro


kwakanaka here"vakabvunza Mai
Matemba.

"Kwakanakei iye Lisa wenyu


achindirambidza kutambawo nevana
vangu"

"Undikwanire wanzwa"said Lisa.

"Lisa ndinokurova wanzwa usada


kundinzwisa hasha"
"Neniwo ndinokurova handityisidzirwe
nebenzi rakaita sewe"said sis
Lisa.Ndakabva ndatanga kuseka
kusvotesa Diva ndakaona Daisy
anditarisa akafinyama.

"Saka Daisy uri kufinyamira inini


here"ndakabvunza.Mai Matemba vanga
vari zii zvavo.

"Iwewe unosekei ipapa unofara


nekutukana kwevanhu here"said Daisy.

"Daisy wanzwa kuti ndiri kuseka vanhu


ava here ini ndikuseka hangu naTashia
uyu"ndakadaro.
"Usada kundiita benzi Noku zvauri kuseka
ndiri kuzviziva"said Daisy.

"Kana uchizviziva uri kundibvunzirei


nhai"ndakadaro.

"Vana imi chii chamuri kuda kunetserana


ipapa"vakadaro sis Lisa.

"Ameno Daisy uyu ndiye atanga"

"Davie dai uri umwe wazvininipisa nekuti


wakatadzira Lisa,Lisa atori neright
yekukurambidza kubata vana ava behave
uitewo sababa vava nevana"said Mai
Matemba.Ndakatanga kuseka
nemashoko awo akandiitira funny ivo
vakuti Diva ndiwe wakatadza asi ndivo
vakamufurira.Ndakaona ndapihwa
mbama naDaisy.Ndakaona kuti Daisy
musi uyu aitoda nezvangu.

"Wandiroverei iwe imbwa"

"Uri kusekerei mai vangu imb wa ndiwe


kushata"said Daisy.

"Kana ini ndakashata newe wakashata


nekuti takafanana"ndakadaro
ndakuseka.Takatanga kutukana kusvika
takurovana zvikanzi nasis Lisa musabata
vanozviitisa vapfana ava.Takatsikana
Daisy ndakamukurira ndanga
ndamudzipa manje.

"Sorry kani Noku handichazviite"said


Daisy ndakabva ndamusiya.Akatanga
kuchema Mai vake kana kumboita basa
nazvo vaiva busy kutamba nevazukuru
vavo.

"Saka mama matadza kubata here ko


ndarohwa ndafa maiita sei"

"Dai wafa taikuviga ka unofunga tingaita


sei"said Diva.

"Noku naDaisy makura hamusisiri vana


vadiki imi mava kutopfimbwa muroad umo
saka behave sevanhu vakura musaita
kunga mune pfungwa dzana Tashy
ava"said Mai Matemba.

"Shuwa mama vaudzei vanotemba kuti


tichabata manje atibate"said Lisa.

Ndakabva ndasimuka pavanga vakagara


ndikaenda zvangu kurwizi.Ndakaona
Daisy ateverawo achingosvika pandiri
takabva tatanga kuseka.

"Uri kusekei nhai Noku"

"Ko iwe uri kusekei"


"Haaa nhasi kungoti wandikurira nekuti
ndakapfeka skirt yakabata chete dai
zvisizvo ndaikuridza"said Daisy achiseka.

Takaswera takuwirirana ndizvo zvatanga


tiri naDaisy.Takaswera tichidhidha
naDaisy.Takazobvako tikaenda kumba
kwana Daisy.Tikambosvika kuverenga
mabooks zvedu tiri muroom maDaisy.Mai
Matemba naDiva vakabva vasvika
vakagara mudinning maiva naHakim.

"Noku naDaisy huyai pano"said Hakim.

"Tauya"
"Endai munodaidza mai Natty muti muri
kudiwa kuno nekukurumidza"said Hakim.

Takabuda tichimhanya chaiko tikasvika


kuvaudza Mai Natty vacho.Vakati vari
kuuya.Takadzoka tikavaudza kuti vari
kuuya tikadzoka muroom maDaisy
tikatanga kuverenga history.

*LISA*
Ndakaona ndauya kudaidzwa
naDean.Ndakatora vana vangu ndikaona
hezvo mai Mai Natty vaivemo mumba
vese naNatty apana anga asimo kunze
kwaDaisy naNokutenda.

"Nhasi ndikuda kutaura nyaya iyi mai


Matemba varipo nekuti ndakaona kuti
munhu wese ari muno akufunga ndine
chekuita nekufa kwamai Lisa"said Mai
Natty vakabata kabook kavo.Davie
akasimuka achida kutora Tashley
ndikaramba Natty akatanga
kuseka.Tashley akabva atorwa naLean
zvake.Tashia ndiye wandakasara naye.
"Mai Natty usadaro sei uchirwadziwa neni
ndakakuona unoda kuti ndivengwe
nevana vangu"said mai Matemba.

"Hakim wakandibvunza zvekufa kwamai


Lisa mira ndipindure mubvunzo
wako"said mai Natty.

"Mira izvozvo Bettina please vana ava


havafani kuziva pakatangira
grudge"vakadaro Mai Matemba vachireva
Mai Natty.

"Why musiri kuda zvitaurwe tiri kuda


kuziva chokwadi nekuti ndakaona imi mai
Matemba munotivengera kunetsana
kwamakaita namai vedu" ndakadaro

"Lister akarwadziwa kwemakore matatu


ese mushure mekunga azvara Noku
nekuda kwako iwewe Mai Hakim saka
andinyarari anogara kuuya kuhope
kwangu achichema kuti mweya wake
uwane zororo chokwadi ngachitaurwe
vana vazive zvakaitika zvese"said Mai
Natty.

"Bettina ndine nyaya dzako dzakawanda


wakambondinzwa ndichiti ndikuda
kudzitaura here uri kuda ndife neBP
here"said Mai Matemba.

"Lister,neni namai Hakim ava takakura


tichitamba tese kwenguva yakareba
vanhu vakawanda vaiyemura kuwirirana
kwedu akatanga kuita mkomana ndiMai
Hakim ava asi vakaramba kutiudza taita
kungonzwa kuti vane mkomana,mkomana
uyu ndivo VaMatemba vanova baba
venyu saka pa......" vakabva vakatwa
namai Mai Matemba vasati vapedza
kutaura.

"Shut up Bettina get out now"vakadaro


mai Matemba zvanga zvatokwidza.

"Mama hunhu hwenyu hwakubhowa


manje kana mukarambidza mai Naison
kutaura ini amuchafi makandiona
ndodzoka SA mangwana chaiwo"said
Hakim atsamwa.

"Neniwo ndobva pano amuzondioni futi


saka regai chokwadi chitaurwe"said
Dean.

"Ndaisaziva mama mune masecrets


amunohwandisa ini andizofe
ndakatsikawo pano"said Diva.Vana vamai
Matemba vese vanga vatsamwa
.Ndakaona Natty akuseka Mai Matemba
vedzungu vanga vagara pasi maziso
ajenga misodzi.

"endererai mberi mai Natty vakakumisai


tobva pano vosara vega ameno
vanozotengerwa nani chikafu"said Hakim.

"Ndisati ndaenderera mberi nenyaya iyi


ndoda muzoregerera mai venyu ka
musavavenga hakusi kuda kwavo asi
ndisatan anga akavapfeka,akuna munhu
asingatadze newe Mai Hakim ukumbire
ruregerero"said Mai Natty.
"Okay tinenge tichiona kuti nyaya yacho
yakakora zvakaita sei"said Diva.

"Madays acho VaMatemba vakatanga


kupfimba mai Lisa asi mai Lisa vairamba
apa apana aiziva kuti vanodanana namai
Hakim nekuti vaitihwandisira,rimwe zuva
mai Lisa vakuda kutobvuma mai vako
vakabva vauya vakaona baba vako vaina
mai Lisa vari 2 muclass vakabva
vanetsana vachiti iwewe sei kuzodanana
nemkomana wangu nyaya yacho
yakanetsa mai Lisa vakaedza kuti
havadanani vanhu vakagumisira vakurwa
mai vako vakarova mai Lisa ndipo
pandakapindira ndikasvika ndichirova mai
vako ava ndipo pakatangira kuvengana
kwevaviri ava"said mai Natty.

"Iyazve asi vakadzi imimi so ndaitoti


inyaya hombe ndaifunga pane akauraya
munhu"said Diva.

"Kubva madays iwayo Mai Hakim vanga


vativenga vasingachadi kutamba nesu
hatina kubvira tavanyengerera mai Hakim
takazonzwa vamitiswa nababa vako
havana kuzopedza chikoro isu takapedza
papera makore tikanzwa vane umwe
mwana uyu anova Diva ndiwo madays
akatanga Potse kudanana naMai Lisa
,mai Hakim vaingotiswa vana vasati
vabvisirwa saka mai Lisa vakaroorwa
zvakanaka naPotse ,ini ndikaroorwawo
zvakanaka izvi zvakabata bata mai vako
Hakim, Mai Lisa aiva munhu anga
asingataurise mai Hakim pese
pavaisangana namai Lisa vaisiya
vavatuka zvavaingoita Lisa izvo"said mai
Natty vakuyeredza misodzi.

"Moyo wangu unorwadza mai Matemba


ava vakarwadziwa nekuroorwa kwaLister
neni,asi vanga vakanyanya kuvenga
Lister vakaenda kun'anga vachida kuti
Lister asafa akaita mwana vaenda
vakaedza zvese zvikaramba ndipo
pakazvarwa Lisa ivo vanga vane mwana
mucheche anova Dean uyu ndipo baba
venyu pavakaenda kunoroora vakabvisa
pashoma"said Mai Natty vakambomira
vakatarisa Mai Matemba vanga
vakatarisa pasi misodzi yavo ichiyerera
pamatamba pavo.

"Potse namai Lisa vakadanana


zvaidadisa ini pandakazvara Natty,mai
Matemba vanga vakudanana nemurume
vangu zvinova zvaindirwadza ndakafunga
kudananawo naVamatemba asi mai Lisa
vakandirambidza vakanditi ndinamate
ndivo munhu akaita ndinamate,
pavaidanana nemurume wangu
vaMatemba ndipo pavaishandira
kuHarare uko,pandakatanga kunamata
ndipo pakatanga kuchinja murume wangu
anga akundida ndikabva ndaita pamuviri
ndikazvara mwana musikana Natalia aiva
munin'ina waNatasha asi akazofa ava
ne3 years arwara nemusoro" vakadaro
Mai Natty vakubudisa musodzi naNatty ini
ndikatanga kuchemawo.

"Mwana wangu akandirwadza andidi


kunyepa ,mazuva aya ndipo pakabata
Mai Matemba naMai Lisa pamuviri
vakandopona pasame hospital apa ndipo
pane nyaya hombe munhu akabatsira mai
Lisa vaiva sis vamai Matemba vakaronga
dhiri,Mai Matemba vakazvara mwana
akafa apa mai Lisa vanga vazvara
matwins vakachinjanisa mwana zvese izvi
ndakazviudzwa namai Lisa mushure
mekunga vazoona zvese zvakaitika,Daisy
uyu mutwin waNoku kubva madays aya
ndipo pakafa VaMatemba neheart attack
vanzwa kuti kuti nhumbu yanga ina mai
Hakim yanga isiri yavo yaiva
yamugaisi,mai Lisa vakatanga kunetseka
nestress vaigara vachichema ndaizama
pese kuti vazvikanganwe asi zuva
rakasikwa naMwari vaingochema zvinova
zvakaita vazobatwa neBP, tese tinoziva
Mai Lisa vakaita zvekudonha vafa neBP
asi kutaura chokwadi mai Hakim Mwari
ave newe ndiwe wakauraya sahwira
wangu dai usina kumubira mwana wake
asina kufa"vakadaro Mai Natty ndanga
ndakuridza mhere chaiyo.Noku akabuda
muroom maiva naDaisy achida kuona
zvaitika asi apana chakaziva apana
akamuudza.
"Mama ishuwa here zvataurwa namai
Natty"

"Ehe chokwadi murume wangu aidawo


mwana musikana ndakaona kuti ndobest
way kuti ndibe waMai Lisa nekuti dai
ndisina kudaro aigona kuzodanana namai
Natty ava sorry mai Natty ndiregerewo
mese naLisa naNoku nhumbu yemwana
wangu akafa hongu yaiva yamugaisi
ndakaita zvekurepwa ini tiri kumusangano
manheru"vakadaro vapfugama.
"Mwari ave nemi amai andina mashoko
ekutaura akawanda" ndakadaro

"Sorry asi Lister andina kumuuraya hongu


munhu wandaida kuuraya ndimai Natty
zvikazoramba madays apfuura aya satan
aiva akandipfeka"said Mai Matemba
vapfugama vakuchema vachiita kubuda
nedzihwa.Ndakangosimuka ndakanyarara
hasha dzanga ndinadzo panguva iyi
dzanga dzakanyanyisa dzaigona kumutsa
kana generator.

Ndakaenda maiva naDaisy ndikasvika


akagara ndakasvika kumumbundira
mwana wamai vangu.
"Daisy uri munin'ina wangu mutwin
waNokutenda mai matemba vakakuba
uchiri mudiki ndivo vakauraya mai
vedu"ndakadaro.

"Aaah vakauraya mai vedu ,aaah saka


Dee uri mutwin wangu hiiii zvinofadza
nekurwadza mukati"said Noku.

"Ndoda tiende tiri vatatu kwakavigirwa


mama" ndakadaro.Ndakaona Daisy
asimuka achienda kwaiva nevanhu.

"Ndiri mwana waani taurai tinzwe ko


mazombotaura nyaya iyi ndisipo sei"said
Daisy

"Uri mwana waLister naPotse mutwin


waNoku"said Mai Matemba.

"Mai Hakim ndikuda kuziva kuti ndiwe


wakauraya mwana wangu Natalia here
kana uriwe unotoripa chete"said Mai
Natty.

Mai matemba vanga vari kuchema munhu


wese mumba anga ava ziii.Hakim anga
ari kuyeredza misodzi ari saDavie anga
akabata shaya.Ndakatora Daisy anga
akuchema.Takasvika pakavigwa mama
Daisy akachema akatarisa paguva
pamama.Hatina kumbopedza nguva tiripo
takabva taenda kumba kwangu.Daisy
akati haachadi kusvika kwamai Matemba
akatuma Noku kunotora
hembe.Ndakaperekedza Noku tikasvika
kutora hembe takasvika pamba apa pari
ziii pasina ari kutaura neumwe.Mai
Matemba maziso anga aita red.

"Lisa ndo....."

"Siyanai neni mai imi mukada kuramba


muchitaura neni ndikunotaura kupolice
munondiona kunga ndakapusa iwewe
Davie urege kusvika pamba pangu"

"Hakim ndoda undiregerere pakafa gogo


vako ndakatadza kuita care navo nekuti
vanga vasingandifarire"said mai
Matemba.

"Tell me kuti kutadza kuita mwana isu


ndimi makatigadzira futi"said Hakim.

"Mai vangu chaivo ndimi here pindurai


mibvunzo iyo yabvunzwa tinzwe kuti
ichokwadi here"said Diva.

Hezvo mai Matemba zvavanga vane


nyaya dzakawanda.Takabva tasiya
vachitaura nyaya idzi ameno kuti
vakazoipedza sei.Ndakasvika Daisy
akatorara zvake.Ndakafonera baba vangu
ndikavaudza everything pafoni
ipapo.Hasha dzandakaona nepafoni
ameno mai Matemba vanopona here apo.

_ko Baba Lisa vachaita sei_

_Mai Matemba vacharegererwa here or


vachasungiswa_
Drop your comments

*Watch out for chapter 41*


[2/25, 5:24 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/Ecq45HdRqIj3
HCzS5qOhi5
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 41*
*Mai Matemba*

Pakataura Bettina chokwadi chese


ndakanyara nekurwadziwa zvese.Ndanga
ndakudemba nechandakazviitira.Ko Daisy
achada kundiona here ko Lisa
naNoku.Ndakatanga kufunga matukiro
andakaita Lister achiri mupenyu.I still
remember pandakasangana naLister
achibva kumunda akabereka Noku ini
ndanga ndakabereka
Daisy.Pandakasangana naLister kaDaisy
kakatanga kuchema.Lister akangoti
ndozviziva zvese zvamakaita asi ndinoti
Mwari akutongei
achichema.Ndakamushaudha madays
acho ndainga ndakamuvenga.Daisy
kukura kwake ainetsa mwana uyu
kuchema chema too much.

Hakim anga atarisa pasi achibudisa


musodzi ari zii.Dean naDiva vanga
vakanditarisa vari Mai Natty vanga
vakanditarisa vachiratidza kundinzwira
tsitsi.

"Gogo venyu vakafa nekuti ndaisata care


navo ndinoda mundiregerewo ipapo mese
muri vana vangu kana muchiti ndonyepa
endai kumaDNA kana kubvunza Mai
Natty"ndakadaro.
"Hakim,Davie naDean ava ndimai venyu
nyakubereka asi Daisy ndiye anga asiri
wavo ndofunga mapanzwisisa ipapo kana
muchiti kunyepa endai kuma DNA
zvataura mai venyu"said Mai Natty.

"Ini andisi kuda kunzwa izvozvo ndoda


kunzwa ndivo vakatigadzira kuti ini
ndisaita mwana here"said Hakim.

"Neniwo ndoda kuzivawo ndivo vakaita


nditambure zvandakuita izvi here"said
Diva.

"Kana uri sewe Diva zvekutambura kwako


kuzviitisa kwako ndiwe ukuchida
chirombe chako icho"said Dean.

"Iwe nyarara handina kubvunza iwewe


ndiwe mai vangu here uri kuda kunzi
wakapenga nekuti pana Natasha"said
Davie.Mai Natty vakangodzvokora Dean
apana zvavakataura havo.

"Imi vapfana nyararai apa hatisi pakuseka


mama pindurai"said Hakim.

"Kwandakaenda kun'anga uko ndakaenda


ndichida kuti chokwadi chisafa chakabuda
ndipo pakasungwa Lean chibereko"said
mama.
"Hezvo mai vangu nyakubereka apa
mandirwadzisa mapedza moti Lean
haazvare tsvaga umwe mkadzi saka
manga makavenga Lean"said Hakim.

Ndakataura zvese ndikakumbira


ruregerero asi vana vangu vanga
vatotsamwa vese.Ndakaona Dean
atorongedza mabag akutobuda hanzi
ndakuenda Harare handingambogare
pano.Vana vangu vese vakabuda mumba
ndikasara naMai Natty
chete.Ndakachema zuva iri Bettina ndiye
akapinda busy kundinyaradza.
"Mai Hakim chokwadi zvachabuda kudai
zvatopera chasara kuti uchigamuchira
Ishe Jesu vauye vagare muupenyu
hwako"said Mai Natty.

"Mai Naison ndakatadza ndiri kunzwa


kunyara nezvandakakuitai mese naLister
heyy ndakudemba ini"

"Mai Hakim I know zvorwadza


nekunyadzisa asi chingozvigamuchira
hongu kutadza kuri muvanhu ndakaona
satan anga akakupfeka umwe wangu
usasachema"

"Vana vangu vandiramba Bettina


apasisina chekuraramira andifunge Lisa
naDaisy vachandiregerera zviri nani
ndife"

"Lisa naDaisy chimbosiyai vakadaro


hasha dzimboserera ndichazotaura
navo"said Bettina.

Musoro wangu wanga wakurwadza


ndanga ndakuremerwa nekufema.Ndaiita
kunga ndakuzarirwa ameno zvandanga
ndakunzwa panguva iyi.Mai Natty
vakanditakura vakandiendesa
mubedroom mangu.Vakandirarisa
vakaisa mvura inodziya vakatanga
kunditova tova.

"Bettina saka vana vangu vachandida


here kana vakasandida ndofa hangu"

"Vachadzoka avo dzingori hasha


vakatsamwa muchaona vanodzoka
avo"said Mai Natty.

Ndakanwa mapills angu ndikabva


ndarara.Mai Natty vanga vatoenda kumba
kwavo.Ndakamuka kwadoka ndikaona
vana vangu vasati vangodzoka
ndakagara paveranda ndikatanga
kuchema ndakagara ipapo.Pasina nguva
ndakaona Potse apinda akabata shamhu
chaiyo yakareba.

"Iwe hure taura tinzwe nyaya yako


wakauraya Lister ka"said Potse.

"Potse ndokumbirawo ruregerero pazvese


zvandakatadzira mkadzi wangu anga
asina chitema nemunhu"ndakadaro
ndakapfugama pamberi pake Potse anga
akatsamwa .Ndaiona anga ambonwa
nekuti ainhuwa doro.

"Wakauraya mkadzi wangu woba mwana


wangu futi sorry yako inoshandei apa
nhasi ndoda kumbokupa twako
waishungurudza mkadzi wangu iwewe
hure"

Ndakatanga kurohwa neshamhu iya


panga pasina anobata.Ndakarohwa
zvekuti ndakagumisira ndangoti rabada
pasi andina kuona akauya kubata ndiani
ndanga ndangoti ziii.Ndakashamisika
kuona ndichipepuka ndiri muchipatara
Mai Natty vakagara paside.Vakafara
nekumuka kwangu.

"Mwari vakanaka wanga wane 2 days uri


muno sahwira"said Mai Natty.
"Hiiiii dai ndafa hangu veduwee"

"Vana vako mafoni avo ari kuramba


ameno varipi asi usatya vanodzoka
ndanga ndakuvigira chikafu ichi,mira
ndinotanga ndaudza doctor kuti
wamuka"said Mai Natty.Vakabva vabuda
vakadzoka naDoctor vakanditarisa tarisa
vakabva vabuda havo.Mai Natty
vakandipakisa chikafu ranga riri rice zvaro
rine soup.Ndainwa nedrink ndapedza
ndikanwa mapills.

Ndakaita week ndiri muchipatara Mai


Natty vaiuya kundiona nevamwe vakadzi
vekuchurch kwavo.Vaisiya vandinamatira
ndakabuda ndikaenda kumba
kwangu.Ndanga ndava nani asi Bettina
haana kumbondirasa akaramba akamira
neni zvakaita ndisunungukewo.Asi ndaiti
ndikafunga vana vangu musodzi
yaibuda.Ndakaenda kuchurch yaipinda
ana Mai Natty ndinamatirwa ndikabuda
rimwe demon rakanetsa ndakaita
kubatirwana.Ndiro zuva randakabva
ndatendeuka.

Lisa ,Noku naDaisy ndaivaona hangu


vaisamboda kutaura neni.Handina kuda
kuvamanikidza hangu even pamba paLisa
ndaisasvika ndakanzi hatidi kukuona
pano unoroya vana vedu Tashley
naTashia.Nguva zhinji ndanga
ndakuswera kumunda ndichisakura
zvangu chibage chacho chaikura
zvaifadza.

Mazuva akafamba ndichingoenda


kumunda kwangu.Muraini ndanga ndava
chisekeso vanhu vachiti mbuya yekuroya
yekutinzwa nevana vayo.Kutaura
chokwadi ndingadai ndakazviuraya
kudhara ndotenda Mai Natty vaigara
vachindisimbisa.Shuwa usazoitira munhu
utsinye hauzive kuti anokubatsira
mangwana ndiani chiona mai Natty
vandaiitira hutsinye
vakundibatsira.Kunamata kwakatanga
kuchindinetsa asi
ndakutogonawo.Pandainamata pese
ndaisakanganwa vana vangu vese
nevazukuru vangu vana Tashy.

Ndaingonzwa nemakuhwa kuti Hakim


akatenga imba kutown kunogara
mbinga.Ndainzwa kuti ndiko kwavari vana
vangu vese.Chikafu chakasvika pakuita
chishoma pamba ndakaona kuti ndikaita
zvekutamba ndingafa nenzara.Ndakatora
kamari kangu ndikatenga mbeu
ndikasima cabbage nemaverge
akawanda ndaida kuzvitengesa.Zvinhu
zvangu zvikatanga kukura
zvaifadza.Ndakatsvaga munhu wandaida
kuhodhesera kuti auye mangwana
makuseni.Makuseni akasvika nekamota
kake tikaenda kugarden tikaona musina
chinhu zvinhu zvese zvakadyiwa
nemombe.Ndakagara pasi ndikatanga
kuchema ko why Mwari.Ndakafunga izvi
zvakamboitika futi kuna Lisa
ndikamutamba rough.Munhu uya akabva
aenda zvake.Ndanga ndapererwa
nezvekuita panguva iyi mafuta ekubikisa
anga apera.Ndakatanga kudya muriwo
usina nemafuta sugar yanga
yapera.Grocery ranga riripo rakakiyirwa
muimwe room yaigara chikafu makey
acho vana vangu vakaenda navo.Vanhu
vaindiziva vakatanga kuti muri kudzikira
mai Matemba.
*LISA*

Ndanga ndisiri kumbofara nezvakaitwa


namai Matemba.Kana ari saDaisy
aisamboda kunzwa nezvavo.Daisy
ndakatanga kugara naye pamba pangu
baba vakauya vachida kumutora
akaramba Daisy wacho achiti Mai Gift
vakandivenga.Noku akazouyawo
tikatanga kugara tiri vatatu.Baba vakasiya
vatitengera chikafu chakawanda
chaizvo.Pandakanzwa kuti Mai Matemba
vakarohwa handina kumbonzwa
tsitsi.Mazuva akafamba Mai Matemba
taivaona vachienda kumunda kwavo
vanga vadzikira havo.Mai Natty vakasvika
vakagumbuka chaizvo.

"Lisa mwanangu saka hauchadi


kuregerera Mai Matemba
here"vakabvunza.

"Kana iri nyaya yamai Matemba ibvai


manyarara henyu Mai vangu vakafa
nekuda kwavo, Daisy uyu ari
kutorwadziwa nanhasi ane nguva
yanombochema achiti I wish mama vari
vapenyu ndaidawo rudo
rwavo"ndakadaro.
"Mai Matemba havana kutadzira imimi
chete ini vakambotora murume wangu
wani asi ndakavaregerera asi chiii newe
Lisa"

"Vanhu vanosiyana ini andife


ndakavaregerera pamba pano ndakavati
vasasvika havo"ndakadaro.

"Kana uri munhu anonamata ndoda


uvaregerere andisi kukumanikidza kana
usingadi rega hako, chandoziva
ukavaregerera ana Daisy vanobva
vavaregererawo vari kutevedzera iwewe
mukuru"said Mai Natty.

"Mama dai maiziva Daisy ari kurwadziwa


sei maisadaro zvongorwadza kurerwa
namai vasiri vako wozonzwa kuti havasi
vako wakura"ndakadaro.

"Mai Natasha ini kanganwai ndiri


kurwadziwa zvisingaite nekuti ndivo
vakaita ndinyepere Diva kuti sis Lisa
vanohura vaita kuti ndivenge weropa
rangu"said Daisy.

"Kana neni ndakavavenga mai vaya pasi


nekudenga"said Noku.
Mai Natty ndakaona kuti avana kufara
nemashoko edu vakangoti zvakanaka
vana vaLister vakabva vaenda.Ndakasara
ndichifunga kuti ndikavaregerera
havazodzoki kahunhu kavo kekudhara
here.Ndakasiya vana vaina Noku naDaisy
ndikaenda kumba kwamai Matemba
ndikasvika vachibika bhinzi.Vanga
vachinja vadzikira chaizvo pavakandiona
ndakaona maziso avo ajenga misodzi.

"Lisa ndoda undiregerewo andisisina


munhu achandidawo kunze kwamai Natty
vana vangu vese vakandiramba ndoda
undiregererewo kuti pandofa mweya
wangu uzorore murugare" vakadaro
vapfugama pamberi pangu.Zvakandibata
pamoyo kuona mukadzi mukuru akaita
samai Matemba
achindipfugamira.Ndakavasimudza
ndikavambundira.Ndakaona ndega kuti
vaikumbira ruregerero nemoyo wese.

"Gogo vana 2 ndakuregererai anotonga


ndiMwari kwete munhu ini
ndokudai"ndakadaro.

"Hiiii ndafara waita hako Mai 2 Mwari


vakurangarire" vakadaro.Ndakaona
vaibika ndikati siyai ndipedzise kubika
vakada kumboramba
vakazobvuma.Ndakubika muriwo wacho
bhinzi vakati mafuta avana ingoisa salt
chete.Ndakanzwa tsitsi kuti pese apa
vaidya muriwo usina
mafuta.Ndakamhanya kumba kwangu
ndikatora 2Ltrs yemafuta ndikauya
nayo.Vakanditenda kasingaperi kunga
ndavatengera mota.Waingoti gare gare
wonzwa waita basa Lisa nemafuta
aya.Ameno pamwe ndizvo zvinoita
munhu achatanga kutendeuka achibva
mune zvakaipa.Vakapakura tikadya tese
muplate imwe ndichivaudza nyaya.Mai
Natty vakasvika vachiona tichidya nagogo
va2.Ndakaona vakafara zvisingaite kuti
ndavaregerera.Ndakaenda kumba
kunotora vana 2.Noku naDaisy
ndakavasiya vachidya zvavo avana
kumbobvunza ndikuendepi navo.Ndakapa
Mai Matemba vana vakatanga kutamba
natwo.Itwo twacho twairatidza kufarira
gogo vavo.Vakabva vaberekera one
kacho kamwe vakakapa Mai Natty.

"Lisa thanks nekundizvarira vazukuru


ndava neshamwari dzekutamba
nadzo"vakadaro Mai Matemba
vachinyemwerera

"Vamwene nemuroora ini regai


ndimbodzoka kumba uko ndaida kuona
uri sei Mai Hakim"said Mai Natty
vachindipa mwana.

"Waita hako sahwira"said Mai Matemba.


Ndakasara naMai Matemba tikaenda
kumagirosa ndikavatengera grocery mari
ndaiva nayo hangu imwe yandakapihwa
baba vangu imwe naHakim.Ndakatenga
rakawanda nemadrinks acho tikaenda
kumba kwagogo vana2.Vakachema
nemufaro vachinditenda zvavo.Mazuva
akafamba namai Matemba tanga
takuwirirana zvakanyanya.Asi Noku
naDaisy ndakaedza kuvatsiura
vakaramba kunzwa ndakavasiya
vakadaro, vakaramba kureregerera mai
Hakim.Ivo Mai Hakim vaidada nevazukuru
vavo.Pavaienda kumunda ndaienda navo
ndichivabatsira izvi zvakarwadza Mai
Gift.Vaiti sei uchinorimira Mai Matemba
uchitadza kuuya kurima kumunda
kwababa vako.

_drop your comments_

*Watch out for chapter 42*


[2/25, 5:24 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/Ecq45HdRqIj3
HCzS5qOhi5

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 42*
*Daisy*

Hakuna chinhu chorwadza kurerwa


nemunhu asiri mai vako wozozviziva
wakura kuti havasiwo mai vako
nyakubereka.Ndikafunga hutsinye
hwandakaitira Noku naLisa kudhara
ndonzwa kurwadziwa pamoyo
chaipo.Kuvaregerera Mai Matemba
kuchanetsa ndivo vakaita mai vangu vafe
pavakandiba ndichiri mwana.Chero zviite
sei handivaregereri Mai Natty naLisa
vakaedza kutaura neni
ndakavarambira.Ndaishaya moyo dzamai
Natty naLisa dzakaita sei dzoregerera
munhu akatadza akaita mai vangu
vafe.Noku aiva kuside kwangu ndaifara
aitotiwo neniwo andivaregereri.

Mai Matemba naMai2 vanga vakuwirirana


ndaizviona hangu vaitomboenda vese
kumunda.NaNoku taiwirirana zvisingaite
ndiye munhu wandanga ndiri too close
than naye pana sis Lisa.Sis Lisa
vaindibhowa panyaya dzavo dzekuti
regerera mai Matemba.

"Sis ini handikwanise


kuvaregerera"ndakadaro.
"Ko vanhu vakumanakidzwa kureregerera
here isu hatidi kusvika varipa mhosva
yavo"said Noku.

"Iwewe Noku ndichakurova une


pamuromo ndiwe unofurira Daisy saka
unonamatei usina moyo wekuregerera
inga Pauro aiuraya vanhu wani mubible
asi akazotendeuka akaregererwa
naMwari"said Lisa.

"Pauro ndi Pauro ini ndini Noku pane


musiyano pana Pauro zvakaitika kuti
ukuru hwaMwari huonekwe"said Noku.

"Verengai bible Daisy na Noku vhurai


*Isiah 43 vs 18 inoti musarangarira zvinhu
zvakapfuura, musafunga zvinhu zvekare*"
vakadaro sis Lisa.Takavhura tikaona
ndizvo chaizvo zvanga zvakanyorwa.

"Kutonga ndekwaMwari ndivo


achavatonga ini hongu vakanditadzira
zvekuti ndakambofunga kusavaregerera
asi ndakazvisiira mumaoko aMwari"said
Sis Lisa.

"Asi zviri kundiremera ini sis"ndakadaro.

"Handisi kukumanikidza Daisy ita zvoda


moyo wako ini ndaingoedza kukuonesa
hangu sezvo tiri veropa rimwe chete" said
Lisa.

Vakabva vabuda sis vanga vasiya ana 2


nagogo vavo.Takabuda naNoku tikae nda
kurwizi kunowacha hembe dzedu
nedzana 2.Takageza tikapedza tikaenda
kumba.Noku akati timboenda
kumba.Takaenda tichimhanyisana
naNoku taiita masports tichida kuona
anopfuura umwe kumhanya.Vanhu
vaitiona kuroad vaitoti topenga. Takasvika
Mai Gift vakagara zvavo pamvuri
vachibaya baya foni.Unotoshaya kuti
vaitaura nani pafoni ipapo.Ndakatarisa
kaGift ndikaona kanga kakafanana
nababa vangu.
"Vana vaLister munoti chiii nezvinoitwa
nasis venyu kunorima kwaMatemba
achitadza kuuya kurima munda wababa
vake"said Mai Gift.

"Zvamuri kutaura izvo azvinei nesu


bvunzai Lisa wacho"said Noku.

"Ini andione pane chakaipa kurima


kwawakaroorwa"said ndakadaro.

"Vana imimi zvagara munongoenda side


rasis venyu magona mauya torai
mapadza ayo ndoda munondibatsirawo
kusakura kumunda"said Mai Gift.
"Ini pamakandishandisa pakakwana endai
mega ,mai Gift mune husimbe tarisai
zvaita garden mazara masango hamusi
kuita care naro ameno henyu manga
majaira kushandirwa isu pano
hatichadzoki tikuda kutoenda kunogara
kwatete kana kwamainini mai Ropa"said
Noku.Mashoko aya akarwadza Mai Gift
ndakaona vabata Noku vachida
kumurova.Ndakabata ruoko rwavo
ndikavaruma.Pavanga vakuda kuuya
kundirova vakadirwa mavhu naNoku
tikabva tatanga kutiza.Takasvika sis Lisa
vachiyamwisa ana 2.
"Muri kumhanyei makakwana here
imi"vakabvunza.

"Ehe takakwana isu"

Papera kanguva Mai Gift pfacha vakaita


kutsamwa.Takahwanda mumba vakasara
panze vachitaura nasis Lisa.

"Iwe Noku naDaisy huyai


tinzwe"vakadaidzira sis tikabuda.

"Vana imi munoona ndine zera nemi here


zvamaita izvi ndikaudza baba venyu
munofa nekurohwa itai sevanhu vakuru
respect your elders" said Mai Gift.

"Sorry Mai Gift ndichavatsiura vapfana


ava havandinetsi" said sis Lisa.

"Tanga wazvitsiura Lisa unoenda


kunorimira kumaraini uchitadza kurima
munda wababa vako,zvimwe zvoda
kungofungawo"

"Mai Gift handisidi kuda zvekutaurisa


hangu dai mabva pano tichiri kuwirirana"
vakadaro sis.
Mai Gift vakada kupopotera sis
tikaipindira nyaya yacho.Vakangoti ndiri
kuda kufonera baba venyu.Kana basa
nazvo hatina.Sis Lisa vaindibhowera
vaiva too soft ndosaka vanhu
vachivajairira.Zvekuva soft ndizvo
ndakazvumiramba.

Muraini yaingova nyaya yamai


Matemba.Apana anga achada kutaura
nawo kunze kwamai Natty nevekuchurch
kwavo.Vaishoresa vanhu vachingoti mai
vekuroya vakatinzwa nevana.Rimwe zuva
ini naNoku tichibva kuchigayo
takasangana naFadzie.Fadzie aizvida
mwana uyu chiona mupfekero wacho
ungati ihure.

"Matwins muri sei"said Fadzie.

"Tiri bhoo"

"Daisy naNoku munoda kufa nemari


muchiri vana vadiki here"said Fadzie.

"Uri kuti chii taura pane nyaya yako


iwe"said Noku.

"Ndine mufesi wandiri kuda saka ndikuda


kutuma imimi kwaari madhiri acho
akabuda ndokupai mari"said Fadzie.

"Mufesi upi iyeye"ndakabvunza.

"Ndisati ndataura zita munoda here


kundibatsira mobva maita mashamwari
angu"said Fadzie.

"Ini andiite shamwari yako nxaa"said


Noku.

"Noku usafunga zvekare sorry"said


Fadzie.

"Okay toda chitaura mufesi


wacho"ndakadaro
"Ndikuda Dean ndotaura hangu naye
paApp asi ndakaona anenge anodanana
naNatty"said Fadzie.

"Waimboda Davie izvozvi wakuda Dean


ndakuona uri hure nxaaaa handitambe
nehure ini"said Noku
achifamba.Ndakateverawo Fadzie
akangosara akatitarisa.Takasvika kumba
Natty aripo.Takamuudza nyaya iripo
akatsamwa akaenda kuna
Fadzie.Takasvika kuona vanhu
vakutorwa.

*LISA*
Vana vangu ndaivada twaikura twuri
vatano.Tashia anga asingachanyanyi
kunetsa hake.Daisy naNoku vapfana
vangu vaidenha chete handizive
vakamboita sei.Ameno zvavakaudza
Natty ndakaona Natty asimuka
akatsamwa.Ndakatevera ndikaona hezvo
vari kuumburadza pasi vari kurovana
naFadzie.Ndakabata sahwira wangu
ndakaona kuti aigona kuzouraya munhu.

"Natty ko chii asikana"ndakabvunza.

"Iwe Chenzira usapindira nyaya


dzausingazive"said Fadzie.

Ndakatora Natty ndakanyarara ndikaenda


naye kumba.Zvekuswera kutukana nana
Fadzie kupedza nguva.Chizita chake
chaindisvota chaindipa.Natty akandiudza
zvaanga anetserana naFadzie.

"Saka ungarovana naFadzie nekuda


kwemkomana wadii wangosiyana
nazvo"ndakadaro.

"Fadzie kubva kuchikoro aingondisaiza


uyo ndanga ndakamirira andidenhe chete
dai musina kubata"said Natty.
Ndakangoseka hangu ndaizviziva hangu
kuti Fadzie naNatty vanga vakavengana
inyaya yekuti Fadzie anozviita
haabvire.Anofunga akaita magaro
mahombe ava kushamisira.Anozvifila
ameno zvaangori so ndizvo zvimwe
zvandanga ndakamuvengera.Natty
akaenda kumba kwavo anga
akatogumbuka.

Ndakaenda kumba kwamai Hakim ndiko


kwandaiswera nguva zhinji nana2.Gogo
vana 2 vanga vachinja zvandaiona
nemeso vangu.Vazukuru vavo vaivada
waiona vaivagezesa nekuvachinja hembe
zvese.Ndakazvifarira hangu ndizvo
zvandaida kwavari kuti vaite rudo
nevazukuru vavo.

"Mai2 wasiya vari sei Daisy naNoku",said


Mai Matemba.

"Vari bhoo musikanzwa too much


vanodenha"

"Hoo asi urambe uchivatsiura panyaya


dzevakomana idzi vachiri vadiki chaizvo"

"Haa apo havasati vakuita ndogara


ndichivatsiura hangu"
Takanzwa kutinhira kwemota panze
ndikaona ari Hakim nemkadzi vake vanga
vasvika.Hakim akapinda muroom make
asina kumbomhoresa mai vake akatora
bag rake.Mai vacho vakatanga kuyeredza
misodzi ndakanzwa tsitsi.

"Bamukuru Hakim ndokumbirawo kutaura


nemi kana mune nguva"ndakadaro.

"Taurai mainini mira ndigare pasi


tinzwe"akadaro achigara pasi Lean
akagarawo pedyo nemurume wake.

"Sorry nekupindira nyaya dzisinei neni asi


munondituka ndataura hangu ava ndimai
venyu nyakubereka hongu vakatadza
ndoda muwanewo moyo wekuvaregerera
,hongu vakatadza asi dai mawanawo
moyo wekuvaregera"ndakadaro maziso
angu ajenga misodzi.

"Lisa une vana ini andina kuside kwako


zvakakunakira ini Mai Matemba vaindiitira
hutsinye vachinditi ngomwa variwo
vakasunga chibereko haa ini ndaenda
kana muchivaregerera varegereri imimi
kwete ini kusvika vasunungura chibereko
changu chavakasunga"said
Lean.Ndaisaziva Lean anotsamwavo
kusvika pakadai.

"Sorry kana ndataura


zvakurwadzai"ndakadaro.Mai Matemba
vanga vari zii zvavo vachipukuta misodzi
yavo.

"Zvese izvo ndakazvigadzirisa zvese


zvakaipa ndakapisa asi ndinoda
mundiregererewo pazvese
zvandakakuitai"vakadaro Mai Matemba.

"Ndiko kekupedzisira kundiona kusvika


ndaita mwana ndikatadza zvoreva ndimi
muchakasunga"said Hakim.

"Lisa zvemalessons ako takazvigadzirisa


usatya,Dean achauya achikutora next
week wotanga malessons isu takudzoka
SA kuswera mangwana"said
Lean.Vakabva vabuda moyo wangu
wakarwadza kuti sei vatadza kuregerera
mai vavo.Zvino Hakim akaoma moyo
zvotoreva kuti Dean naDiva
havatotangiki.Ndakachema andidi
kunyepa instead yekuti ndifare kuti
ndakutanga malessons.Kana vari
SaGogo va2 ndakazviona kuti
vairwadziwa.Ndanga ndakutya kuti BP
inogona kungokwira vakadonha.

"Mama musatya zvichanaka",

"Lisa chandongoda kuregererwa nevana


vangu ndofa hangu mweya wangu
wowana zororo"said Mai Matemba.

"Chimbomirai kutaura zvekufa mama ini


nana 2 tokudai andide mufe please be
strong for us" ndakadaro.

"Lisa vashoma vane moyo wakaita


sewako dai Mwari vakusimudzira pazvese
zvaunoshuwira muupenyu,sorry pazvese
zvandakakuita mwanangu"

"Mama inga ndakati zvakapera wani aah


ini andichengeti chigumbu anotonga
ndiMwari" ndakadaro.

Zuva iri ndarara pamba pamai


Matemba.Ndakaona kuti ndikavasiya
vega zvaisaita nekuti vanga vari kufunga
vana vavo.

Sorry nekuita pfupi nhasi ndakaneta

_Drop your comments_

*Watch out for chapter 43*


[2/25, 5:24 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*
https://chat.whatsapp.com/Ecq45HdRqIj3
HCzS5qOhi5

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 43*
*Mai Matemba*

Moyo una Lisa vashoma vanawo dai


asipo ndakafa nenzara.Ndainzwa kunyara
ndaimbofunga madays andaimutuka
ndaisvika pakurwadziwa.Lisa ndanga
ndakumuda ndiye wandanga ndakutora
semwanasikana wangu.Ndaida kugara
naye asi zvaisaita kumumanikidza
ndaingonyarara hangu.Lisa aiswera
pamba pangu chikafu aindibikira.Zvanga
zvakuita kunga ndiri kumushandisa
ndakaedza kumurambidza asi iye wacho
aitova nenharo.Ndakanzwa vanhu vanga
vakutaura futi kuti ndakagadzira Lisa kuti
andide hanzi ndiri
kumushandisa.Mashoko andainzwa
muraini aindirwadza andidi
kunyepa.Ndaizvishingisa semukadzi
mukuru asi zvanga zvakaoma
hazvo.Hakim haana kuwana moyo
wekundireregera andina kumushoora
hangu.Ndakangoti dai
azongondiregererawo ndichiri mupenyu
vese nemuroora wangu Lean.

"Mama mukuchemei ndizvo


zvandisingade"said Lisa.

"Lisa andisi kuchema ndiri kunyara


nezvandaikuita ma....."

"Mbuya va2 kava kechingani ndichiti


zvakapera aah zvakubhowa ini
andimbokusiyei muri mai vangu gogo
vana 2"said Lisa achinyora nyora zvake.

Ndanga ndamupa mabooks


aimboshandiswa naDean achiri book
4.Madays aya Lisa airara pamba pangu
achiverenga.Nana 2 tanga takuwirirana
zvisingaite.Rimwe zuva ndakaona Noku
naDaisy vakasvika pamba pangu
vakapfeka zvakafanana.Ndakaramba ndiri
zii zvangu ndakabata Tashia uyo
aisamboda kubva mumaoko angu.
"Tauyawo pano gogo va2"said Noku.

"Titambire vanangu"

"Muchitambirei tauya angori maoko


kudai"said Daisy achinyemwerera zvake.

"Vapfana ndofunga hamuna kuuya


kundiitira noise ka"said Lisa.

"Amana tauya kuona gogo va2 ndivo


vatine nyaya navo chete"said Noku.
"Mai Matemba ini hangu ndauya
kukuudzai kuti andisisina kukutsamwirai
ndinoti ndakuregererai chero zvamakaita
kuna mai vangu zvichindirwadza"said
Noku.

"Waita basa mwanangu wawana moyo


wekundiregerera"ndakadaro.Daisy apana
chakataura akaramba akanyarara
ndofunga anga achakatsamwa.Ndakaona
atariswa nerimwe ziso naLisa.

"Mai Matemba moyo wangu ukurwadza


ndikunzwa kurwadziwa maida
kundiparadzanisa neropa rangu asi
ndinoti Mwari vakurangarirei"said Daisy.
"Ndadzidza anditozive mweya wanga
wakandigara ndakambouwanepi Daisy
handikushoori handina kukodzera
kuregererwa hangu zvitadzo zvangu
zvakatsvuka seropa vana vangu
vakandiramba asi ndinokukuridzira
kunamata muve nerudo musafa
makatarisira munhu pasi ,ini andisisina
madays akawanda ndichiri panyika"
ndakadaro ndakusvimha misodzi.

"Mama nyaya yenyu yekuti amusisina


mazuva iyi makundibhowa manje handide
kuzvinzwa be strong inguva chete
zvopfuura izvi"said Lisa.
"Mama ndakuregererai asi please be
strong tichiri kukudai panyika"said
Daisy.Ndakaisa Tashia pasofa
ndikambundira Daisy.Tashia kakatanga
kuchema kuti mandisiirei
pasi.Ndakakatora kamuzukuru kangu
ndaisada navo vazukuru vangu.Noku
naDaisy havana kugarisa vakabva
vabuda zvavo.Atleast Daisy andiregerera
kwasara Potse nevana vangu.Kuna Potse
kana pane chinoda kuripa ndoripa hangu
mombe ndinadzo .

Kwava kusviba takanzwa kutinhira


kwemota panze ndikaona
ndiDean.Ndakaziva kuti auya kutora Lisa
kuti aende kunoita malessons.Dean
akapinda akarova mucheno akasvika
achimbundirana
naLisa.Akandimhoresawo Dean
zvakanaka.

"Manga marova akomana kubva


matitiza"said Lisa.

"Ndanga ndakatsamwa asi zvakapera


ndanga ndakatsamwa zvisingaite asi
zvapera hazvo mai vangu ndovada"said
Dean.

"Wagona waregerera mai vako ndafara


,mai vakaita benzi kana kuita mupengo
vakanonga mubin hazvichinji ndimai
vako"said Lisa.

"Mama ndokudai kuti ndive zvandiri ndimi


zvekudhara zvakapfuura"said Dean
akagara pedyo namai vake.

"Waita basa my son ndafara kuti


wadzoka"

"Ko ana Hakim vakaenda


here"Akabvunza Lisa.

"Hakim haasati aenda ameno chii


chakaita asaenda angadai akaenda
kudhara ndasiya vachinetsana
naLean"said Dean.

"Yohwee kunetsana nei futi"


ndakabvunza.

"Lean akaudza vanhu vekumba kwavo


nezvekusungwa nechibereko chake
namama saka hama dzaLean dzakauya
uko dzikatuka Hakim pakataurwa
zvakawanda vamwewo ndivo vari kuti
akaromba"said Dean.

Zvese izvi zvakuitika nekuda kwangu


musodzi yakatanga kuyerera.Dai hama
dzacho dzakauya kutuka inini pane
kutuka Hakim asina nemhosva.

Mwana wangu zvaakufira mhosva


dzangu.Mwari pamunotonga mhosva
dzangu ngadzisabate kuvana vangu
ndakadaro nechemumoyo.Hakim
handifunge achamboda kundiona nekuda
kwenyaya iyi.

"Mama musachema handifare kuona


musodzi yenyu zvinopera chete isu
ngatizviise mumaoko aMwari"said Dean.

"Ko Davie ari kuitawo sei"akabvunza Lisa.


"Ndaigara kumba kwaHakim uyo Davie
ameno ari kuita chihwindi chake aida
kutengesa imba akarambidzwa
naHakim"said Dean.

"Kuita hwindi zveshuwa here kana kuti uri


kujoka"akabvunza Lisa.

"Shuwa uyo madrugs achamukuvadza


akuzvinyanya chandakaona inyaya
yevanhu vanotamba navo ana Ras Fidza
apana chimwe chavanofunga kunze
kwemutoriro ndivo atova magariro"said
Dean.
Lisa akasiya atibikira akaenda kumba
kwake.Ndakasara nemwana wangu Dean
ndaitaura naye.

"Ko Dean uchiri kudanana naNatty here"


ndakabvunza.

"Aaah sei mabvunza mama"

"Ndikuda kuti mudanane muchiziva


pekugumira andidi zvinhu
zvozokanganisa relationship yangu namai
Natty, I know unoda Natty asi tanga
wagadzira future yako tomboti
wamumitisa unomupei sorry my son
handisi kukutuka"ndakadaro.
"Wow thats my mom ,mama panyaya
yaNatty musatya zvenyu
andimbomumitise ndoda kuzomuroora
zviri pamitemo kana ndakushanda ndava
neimba yangu thanks nemashoko enyu
mama ndamabata"said Dean.

"Good boy Mwari vachazadzisa zvishuwo


zvemoyo wako isu ngatirambe
tichimunamata "ndakadaro.

Ndakabva ndaenda muroom mangu


ndikapfugama kunamata.Ndapedza
ndikarovera matama pasi.Ndakamukira
zvangu kutsvaira tsvaira pamba
pangu.Lisa akauya akatanga kudzidziswa
zvake maths naDean.Ndaitamba
nevazukuru vangu.

Tashley kanga karara ndakakaradzika


zvako muroom mangu.Aka Tashia
ndakakabereka ndikaenda zvangu
kugarden zvangu kunodiridza muriwo
wangu wandanga ndakasima
naLisa.Ndakasima nemacarrots
akawanda anofarirwa nemwana wangu
Davie.Ndakudzoka kubva kumunda
ndakasangana naMai Fadzie vachifamba
namai Gift.

"Hezvo haasi mwana waLisa


wakaberekwa apo"vakadaro Mai Fadzie.
"Ndiye zvopindirana naLisa nekuti Lisa
wacho anozviita haabviire apa ari
kushandiswa mai inoroya iyo kani
hazvishamisi kuti vakamushandisira
mushonga kuti avade ndinosiziva Lisa
akavenga mai ava"said Mai Gift vachiita
makuhwa namai Fadzie kundireva
ndiripo.Ndaivanzwa hangu ndiri pamberi.

"Ko Potse akadii kusungisa mukadzi


uyu"said Mai Fadzie.

"Usaita kunga Potse usingamuzive haana


basa naNoku naDaisy anoda Gift
mkomana wandakamuzvarira
zvakatadzwa naLister"said Mai Gift.
Ndakasvika kumba Lisa ava ega
ndofunga Dean anga abuda.Lisa aiva
serious ndakazviona aisada kumbosiyana
nemabook.Mashoko akataurwa naMai
Gift naMai Fadzie akandishamisa.Ko sei
Potse asina care nevana vake.Ipapa
ndinoona kunga akadyiswa naTracy chete
handimuchenesi nekungwarisa
kwakaita.Ndakasiyana nazvo hangu
ndikaradzika Tashia kanga karara.

*DEAN*
Kuwirirana kwaita Lisa namai vangu
ndakakufarira.Asi kutaura chokwadi Lean
ndanga ndamuvenga nezvakaita.Ndiye ari
kuita mkoma vangu vaome musoro.Dai
asina kuudza vabereki vake nyaya iyi
yakapera.Mkoma vangu vakunzi
vakaromba nehama dzaLean izvi
zvaindibata bata hangu.Vanhu vakaona
munhu akaita mari zvotonzi
akaromba.Ndizvo zvakaita ndibve kutown
ikoko.Ndaishaya kuti musikana anonzi
Fadzie number dzangu akadzionepi
ndaitaura naye paApp.Ndaipihwa masexy
pictures ameno aindipirei ndisina
kumukumbira.Ndakaona kamuitiro kacho
kuti aindida.Natasha ndaimuda nemoyo
wese chero taigara takanetsana dzimwe
nguva.Ndakuda kuenda kuVarsity ndisina
kumbodya Natty maya ndaifana kuita plan
pamwana uyu.Ndaida kuenda panoenda
Hakim kuSA ndiko kwandaida
kunodzidza.

Lisa ndaimubatsira maths kwaiva kudya


kwangu nescience dzacho.Lisa ndakaona
anga ane shungu nechikoro
ndakazvifarira anopasa chete.Ndakaisira
Natty message kuti ndimirire paroad
pachibhorani haana kuita
nharo.Ndakanogeza ndikachinja ndikatora
mota yamama ndikabuda.Ndakaona Natty
akamira pandanga ndamuti amire
akapinda mumota.Ndikairova ndikaenda
kunoparka kwanga kusingafambe fambe
vanhu ndaida nguva naye tiri kwedu tega.

"hie bbe my sweetheart,my world, my


sweet-pie, donhodzo remoyo wangu, my
everything, l had been missing you for a
long time lovie" ndakadaro
ndichimuswededza pedyo neni sezvo
ndanga ndakamira ndakazembera
mota.Ndakaona mwana akunyara
ndakatanga kumukissa zvangu ndichifila
chivakashure futi.Takamira kukisana
tikatarisana mumaziso chaimo.

"I love you Natasha" ndakadaro.


"I love you too daddy aaah kuno
kunotyisa ngatichienda kumba"said Natty.

"Natty are you serious unonyatsa kundida


here" ndakabvunza.Natty akatanga
kundikissa hmmm zvekuti zvakabva
zvamutsa zvirere takaita nguva tichidya
muromo.Natty chaiziva kukisser ummm
ndakatanga kunzwa godo kuti
akazvidzidza kupi.

"Now you know ,no one’s ever loved


anyone as much as I love you Dean" said
Natty akanditarisa mumaziso
chaimo.Ndakaona kuti airevesa
chaizvo.Takasiya mota tikatanga kufamba
tichitaura nyaya zvedu
tichimhanyisana.Zuva iri rakandinakidza
ndakaswera nemudiwa wangu.Takadzoka
kumota tikagara mumota
tichiwanzirana.Ndakatanga kumubata
bata zvangu mazamu ake dzamara ndava
pamusoro pake.Ndakagadzirisa seat
zvakanaka naka.Pakuti ndichiita nyaya
dzacho munhu akuda kutanga
kuramba.Ini zvanga zvatondikurira
ndakakasofta ndikarara naye.Ndapedza
ndakaona munhu akuchema
ndakazozvidemba pava paya kuti ndarara
naye ndisina kushandisa
maprotections.Ko maprotections acho
ndimbori nawo here.Ndakasofta bbe
wangu kusvika adzikama.Ndakasvika
pamashops ndikatenga chikafu asi
ainyara kunditarisa maziso chaimo kana
kudya kwacho.

"Natty"

"Aaah ukudei"akadaro akatarisa pasi.

"Ndokuda I hope hauzondirasise"

"Ndototyira iwewe kuti zvawarara neni


unogona kungondirasisa"said Natty.

"Handimbodaro bbe"

"Ko ndikaita nhumbu nhai daddy"

Foni yangu yakabva yaringer aiva Fadzie


aifona.Natty akaitora akaidaira chinzwa
rough yakaitwa ipapo.

"Fadzie taura tinzwe uri kudei"said Natty

"Ko ndiani ndokumbirawo kutaura


nemuridzi wefoni"said Fadzie.

"Ndini Natasha iwe hure usiye katsika


kako kekuda kutambira kuvakomana
vevamwe ka"said Natty akabva aikata
foni yacho.Akaenda paApp akatanga
kuvhura machats andaitaura naFadzie.

"Dean mapics aFadzie akadai unomadii


nhai asi unoda Fadzie"said Natty
akanditarisa.

"Verenga machats mushe uone pane


pandakamukumbira mapics here
akangosenda ega"

"Dean handidi newe ini promise


hauzondisiye ooh naMwari ukandisiya
ndonwa mushonga wemakonzo"said
Natty.Akabva ablocka number dzaFadzie
nekudilita zvese zvaFadzie.Akadzika
akaenda kumba kwavo sezvo kwanga
kwasviba.Ndakasvika nekugeza ndainzwa
kufara kuti atleast ndazorowa
muriwo.Kamwana kaya kanonaka kunga
kakadirwa maspice zvandanga
ndakasarira rega vana Diva varambe vari
mumadress umu.Iko kacho ndoshaya
kaichemei munhu anga akabatirira.

_drop your comments_

*Watch out for chapter 44*


[2/25, 5:24 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/InBVeGxcCFr2
iTxEmy6TwH

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 44*
*HAKIM*

Zvakaita Mai vangu zvakandibata kusvika


pamoyo chaipo.Ndakafunga kudzokera
kuSA asi ndakamira nenyaya yevabereki
vaLean vaida kundiona.Kwakauya Mai
Lean nebrother yacho Sean chete.

"Hakim iwewe ndakakuona kare kuti


unenge wakaromba chete"akadaro Sean
uyo aiva first born kumba kwana Lean.

"Vanozivana namai vacho ,mai iya


kushungurudza mwana wangu variwo
vakamusunga haaaa vanhu
vekwaMatemba varoyi chaivo" said mai
vaLean.Ndakaramba ndakanyarara asi
kutaura chokwadi mashoko aya
akandirwadza kusvika
pamoyo.Ndaisaziva kuti Lean akaudza
vabereki akatadza kundiudzawo kuti
avaudza.

"Mukwasha ini andisi kana kutombofara


kana ka one gadzirisa zvinhu izvo nguva
iripo"said Mai Lean.

"Maths dziri apa hamusi kudziona here


uyu Hakim namai vake vari kuzivana
panyaya iyo muchikuziva ndichiti
akaromba ndizvo zvimwe zvacho"said
Sean.

"Vaindiona kunyarara vofunga ndakapusa


mai vake, zvakandirwadza pamoyo
chaipo"said Lean.

"Mukwasha tiri kuda kunzwa uri kuti chii


taura tinzwe"

"Mati ndakaromba inini here saka Lean


ndizvo zvawaudza vabereki vako here"
ndakadaro.

"Iwe siyana neni ndini ndazvitaura


here"said Lean.

"Ndafunga kunovaona ivo Mai Matemba


vacho ndoda kutaura navo kuvenga
mwana wangu manje avafe vakaona
muroora anovada saLean uyu" vakadaro
Mai Lean.

"Ndaivada asi moyo wangu watosviba


mama handifunge ndichada kuvaona"said
Lean.

"Muroyi anofana kurohwa kana uroyi


hwake hwabatwa isu handei kuvillage
kwavo tinoona sabhuku weko
ndokupedza zvose"said Sean.

"Ngavarohwe handisisina kana shungu


navo mai vaya ndaivada ndichivaratidza
rudo semuroora"said Lean.

Ndairamba ndiri zii kwete kuti ndakapusa


asi kuti ndakatoona kuti vaitova nehasha
dzavo.Mai vangu hongu vakatadza asi
zvekuti vazoitwa yese yese nevanhu
ndozvandaisada.Lean anga akuda
kundibhowa hongu mai vangu vakatadza
asi zvekuzofamba achiparidzira vanhu
ndizvo zvakandibhowa.

"Mai vangu ndichataura navo hongu


vakanganisa ndinobvuma as...."ndakabva
ndakatwa.

"Hakim usada kundibhowa saka ini ndini


ndiri wrong manje mhamha namkoma
Sean muri kuzviona ndiyo problem yake
uyu ari kumirira munhu akasunga
chibereko changu"said Lean.

"Ndofunga kuti pawataura Lisa andina


kumbodaira ndasiya kuti upedze kutaura
saka mira ndipedzewo kutaura wozotaura
ndapedzawo zvanzwika here"ndakadaro.

"Eeh mkwasha zvausina hunhu ko


atadzei Lean ndatozviona kuti une
problem manje ndichibva pano
ndikunoona ivo mai vako"said Mai Lean.
Vanhu ava vaitova nenharo ndakasiyana
navo.Ndakasimuka ndikaenda zvangu
kughetto kwaigara Diva.Ndanga ndine
stress chaiyo kuti ndoita sei nyaya ipere
iyi.Hongu ini mai vangu ndanga
ndavaregerera chero hazvo zvichirwadza
zvavakaita.Ko tingadii ndimai chero
vakaita benzi chero vakaita muroyi apana
chochinja vanongoramba vari mai
vangu.Ndakasvika pamba paDiva aripo
zvake achimona mbanje dzake.

"Mai iya inobhaiza shaa ndakuzviona


ndiyo inenge yakasunga nhengo yangu
kuti isamira"

"Hezvoo ndimama futi here zvazvakaoma


veduwee" ndakadaro.

"Pakati pavo naLisa pane akandisunga


chete"

"Chimbosiyawo Lisa please akwana papi


panyaya idzi iwewe madress
waimawanza vanogona vari vasikana
vako vakakusunga futi"

"Asi Lisa wacho unomuda kani sei uchida


ndisiyane naye ari mai vevana vangu"

"Ndiri kuedza kuti chimbomira


zvekushungurudza mwana wevanhu dai
uri umwe uchiti mari yauri kutenga
mbanje idzi uchitengerawo vana vako
hembe zvonyadzisa kuti apana kana
chinhu one chawakabvisa pavana ivavo
asi unongoti vana vangu what what
shandisa pfungwa mupfana"ndakadaro.

Diva akabuda panze akanorova manje


dzake.Simba rekumurambidza ndaiva
ndisina ndaiva nestress dzangu.Diva
akapinda akabata Gold Blend akaisa
patable akatanga kunwa zvake.

"Ko kuzonditarisa inwai iro ndaritengawo


ranga rakachipa"said Diva.

"Diva unombofungei nehupenyu hwako


kupera kwebasa hakusiko kuguma
kweupenyu zvekusvika pakunwa
kudai,dai uri umwe wamboita munhu
kwaye pamwe Lisa anogona
kukuregerera"

"Lisa anondida, munhu anonamata


achandiregerera hake,munhi ane vana
vangu angaendepi"said Diva achiseka.

"Ok" ndakadaro ndichibuda.

Ndakaenda kumba kwangu ndikasvika


pangori naLean.Hama dzake hanzi
vadzokera asi vachadzoka vachizoenda
kunoona mama vangu.Akabika Lean
andina kudya ndaisamboda chikafu.
"Wabikirwa ka kwawabva ukati Lean
kangomwa kanobika zvoshata"said Lean.

"Iwe Lean haugoni kunyarara here usada


kundibhowa"ndakadaro.

"Hehehede inini kukubhowa kutanga rini


Hakim ingotaura kana usingachandide
ndizive"said Lean.

"Wambonzi haudiwe here Lean, asi iwe


nyanya yako yekufamba uchiparidzira
vanhu kuti mai vangu muroyi handina
kuzvifarira ko wakaudza mai vako sei
usina kutanga kutaura neni"
"Zvakandirwadza Hakim truely speaking
mai vako handife ndakavaregerera
kusvika ndaita mwana"said Lean.

Manheru ndakarara mune imwe room


taisamborara tese.Ndiko kuti adzidze
akapusa Lean anowanza dzungu.Lean
kumuda ndomuda ari pamoyo pangu asi
zvakaita andina kumbozvifarira.Kungoita
zvinhu zvemumusoro make asina kutanga
andiudza.Izvozvi hama dzake
dzandivenga vakuti ndakaromba.Ukaita
mari vanhu havashaye chekutaura.Mai
Natty namai vangu ndivo vanoziva
mashandiro andakaita kuti ndizosvika
pandiri.Ndakapinda nedzakawanda
tichitenderara nenyika asi chandakafarira
ndechekuti Mwari ndiye anosimudza
munhu,Munhu haasiye anosimudza
munhu.Vamwe vanhu vanongomirira kuti
pawatadza votaura ivo Mai Lean
zvakawanda zvandakavabatsira
nazvo.Pandakatengera mai vangu mota
ndakavatengerawo nhasi uno vakunditi
ndakaromba ndakaipa.Munhu mutema
ndamutadza hangu.Makuseni
ndakamukira ndaida kuenda kunoonaa
mai vangu.Ndakaenda kubedroom
kwanga kwakarara Lean.

"Hakim zvauri kuita hazvisi fair ini ndiri


mkadzi wako not your sister why ukuenda
kunorara munext room nezuro hauna
kudya zvandakabika futi hiii
usandidaro"akadaro Lean achisvimha
musodzi akanditarisa.

"Kusvika wakuziva kuti ndiri murume


wako, kana wakuziva uchida kuita chinhu
unoudzawo murume wako kwete kungoita
zvemumusoro mako hanty wakaudza
mama vako kuti ndakaromba"

"Hakim saka waida ndihwandisire mai


vangu here,andina kumboti wakaromba I
know wakashanda nesimba kuti ugova
zvauri izvi asi mai vako vakandirwadzisa"

"Kana neni vakandirwadzisa asi


vanongoramba vari mai vangu apana
chochinja ndatovaregerera hangu
achatonga ndiMwari" ndakadaro
ndichitobuda.

Ndakaenda kumusha ko ndingasvikepi


ndakatsamwira mai vangu.Chandaida
kunzwa kuti vakasunungura here
zvavanga vakasunga.Ndakasvika
vakagara paveranda vachiita kuseka
naLisa.Wainyatsoona kuti vanhu vari
kufara.Ndakazvifarira hangu,
ndikazvishoora kuti ndakatokundwa
naLisa akaregerera mai
vangu.Ndakasvika nekuvambundira mai
vangu.Ndakapedza nguva ndakadaro
ndikaona vakuyeredza musodzi.
"Mama musachema zvakapera andisisina
kutsamwa"ndakadaro.

"Ko muroora wangu aripi"

"Hooo uyo ndamusiya mama hatisi


kunyatsa kupindirana"

"Ndoziva hangu akanditsamwira haisi


mhosva yake asi imhosva yangu"said
mama.

"Mama ko makatosunungura here zvese


or makapisa"

"Ndakapedza izvo ndikapisa kure


uko"said mama.
"Hesi Lisa ko kurova hindava"ndakadaro.

"Ndimi marova manga matiramwa"said


Lisa achiseka zvake.Ndakaona kuti Lisa
munhu anofarira kugara achifara
achiseka.

"Ndadzoka manje ko uri kuverenga here


ndoda uzoenda kumalessons uchigara
pamba pangu ini ndichadzoka SA ndega
uchasara uchigara naLean asi ndopota
ndichidzoka asi kana Lean akaramba
unonogara namama ava pakashata here"

"Haaa mama vanoda kubva kuno here


ava"said Lean.
"Ehe ndoda kutomboendawo mutown
zvakanaka chaizvo as long ndichionana
nevazukuru vangu"

"Hiiii ko vapfana vangu Noku naDaisy


vanozosara nani havafani kugara vega
vanozofurirana zvisina basa"said Lisa.

*DIVA*

Nyaya dzisina basa ndombodzida here


mai vangu vanofunga ndakapusa
here.Pakati pavo naLisa pane
akandisunga kana vari mai vangu
zvichabuda.Kungoti zvinhu zvanga
zvisina kumira mushe kuside kwangu
ndaitodawo kuchengetawo vana
vangu.Asi mari yacho yaiva shoma
zvakanyanya.Hakim ndakamuudza
andiitire plan kujoza akutanga anditi tanga
wasiya madrugs first handidi
zvekuzonyadziswa ndakutsvagira basa
racho.Zvekunyengerera munhu zvonetsa
ndakasiyana nenyaya dzacho.Ras Fidza
naKedha ndivo aiva mabest friends angu
taisambosiyana zvekumhanya.

"Diva unobhaiza iwewe shaa kamukadzi


kako kari bhoo kaya hindava uchikagarisa
kumusha" akabvunza Kedha.

"Haa uyo ambori kugara pedyo namoms


vangu waizia plus andidi kazive magap
angu ekuno" ndakadaro.

"Hoooo tazvinzwa King but itai plan


pamatwins aye ka"said Kedha.Ras vaiva
vakakodorwa nemutoriro vari ziii.

"Matwins api futi auri kutaura


Kedha"ndakabvunza

"Noku naDaisy ameno kana ndisina


kukanganisa mazita"said Kedha.
"Mirai ndivana mainini vangu ivava
vapfana vemkadzi wangu kana muri
kuvada hazvinetsi nditengerei doro mese
tofambira nyaya dzacho" ndakadaro.

"Ko zvawakati Daisy ihanzvadzi yako"


said Ras Fidza.

"Haa paya ndaitamba hangu haisi


hanzvadzi yangu"ndakadaro.

"Ipapo hoo saka mira tikudhakwise


uzotiitira plan tikapinda tokutopa mari
pamusoro ita effort"said Ras Fidza.Ras
Fidza vakasimuka vakaenda kunotenga
mabeer acho.Ndakafara apa ndikuita
pungwe ndichimamwa chete.
"Chinzwai manje deal tosota asi mirai sis
vacho vatange vauya kuno vari kuda kuita
malessons saka uko twana Noku
twuchasara twega ndochienda kunotaura
natwo musatya havandinetsi
avo"ndakadaro ndichinwa hwahwa simairi
ichisvika kugotsi.Team rangu
rakangoseka tikaloader combi ikatanga
kufamba.Keda ndiye aicollecta mari ini
ndanga ndakagara pakadoma.Combi
yacho yanga yakazara vana vechikoro
chete chete.

"Haa guys maths dzanhasi madzinzwa


sei" said boy 1.
"Ini apana chandambonzwa iwe chikoro
chakaoma transformation inonditemesa
musoro"said girl 1.

"Haaa homework handinyore ini


ndonyerei kuti pane chandambonzwa
here"said Boy2.Ndakatanga kuseka
hangu nezvaitaurwa nevana
ava.Vakabvunza chandaiseka
ndikawedzera kuseka.

"Vapfana isu takadzidza kumapurazi


kwekuti tiri pakati pekunyora ma notes
mombe yaipinda yonanzva board"
ndakadaro munhu wese aiva mukombi
akaseka.
"Haa jahman ava vanonakidza ndosaka
ndichifarira kukwira combi yavo,inini
ndikasvika kusina magetsi guys andinyori
homework"said Girl 1.

"Vafanha munotouya musina homework


muchiti kwakusina magetsi saka hatina
kuita study, isu taiverenga nemheni, ikati
vayiii worova 2 to 3 pages"ndakadaro
vakaita kubudisa musodzi
nekuseka.Ndanga ndasuwa kusimbisa
vana vechikoro nhema.

_Noku naDaisy vachagara kupi Lisa


zvaava kuenda_
_Lean ari wrong here pane zvaakaita
kana kuti Hakim ndiye ari wrong_

_drop your comments_

*Watch out for chapter 45*


[2/25, 5:24 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*
https://chat.whatsapp.com/InBVeGxcCFr2
iTxEmy6TwH

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 45*
*NOKU*

Tanga takuenda tese kuchikoro


naDaisy.Taidzidza zvedu musame
class.Vakomana vakatanga kutinetsa.Ini
pfungwa yekuita mkoma yaiva kure neni
ameno Daisy kuti ipapo ari papi.Andizive
kuti tichaita sei sis zvava kuda kuenda
kutown.Kumba kuna Mai Gift
ndaisamboda
kugarako.Zvekushungurudzwa
nekushandiswa ndaisambozvida
hangu.Takatanga kuita noise mulesson
reGeo.

"Hey murikuita noise, hamunzwi sei"said


teacher

"Ndi Noku uyu arikuti headmistress i


virgin"said Daisy.Class yese ikabva yati
bvuuu kuseka.Ndakaona sir vacho
vakuuya patiri vachiseka zvavo.

"Vasikana imimi hamusi serious ndiri


kuzviona maisafana kudzidzidza musame
class"said teacher.Isu takaramba
takanyarara.
"Hamusi kunzwa zvandiri kutaura here"

"Tiri kuzvinzwa takanzi panotaura vakuru


tofana kunyarara"ndakadaro class ikabva
yatanga kuseka.Ameno sir vakafunga
tavawachisa here vakatibudisa mulesson
ravo.Atina kumboita nharo takabuda
zvedu asi zvakatibhowa.

"Ko iwewe waiti headmistress ivirgin


wakazvionepi Noku une musikanzwa
ndabvuma hangu"said Daisy.

"Usaita kunga usingazvizive kuti


vanowanzirwa nevanhu kuti
ivirgin"ndakadaro.
Takazodzoka kuclass yanga iri free
period.Tichingopinda muclass vanhu
vakatanga kuseka.Takakopa manotes
anga anyora vamwe.Pakuenda kumba
taisasiyana natwin wangu.Takasvika
pamba sis Lisa vanga vabika rice
zvavo.Takadya tichinwa nedrink sis
ndaingoona vakabata shaya kuratidza kuti
pane zvavaifunga.Ana 2 vanga vasipo
ndofunga vari kwagogo vavo.

"Ko sis chii chiri kunetsa"ndakabvunza.

"Kunetsa papi Noku"


"Ndikubvunza zviri kukunetsai ndiri kuona
kunga musina mufaro wani"

"Ndava kuda kuenda kutown uko kunoita


malessons angu ndiri worried"said sis
Lisa vakitarisa.

"Ko muri worried nei futi"akabvunza


Daisy.

"Kuti imimi muchasara nani hamufani


kugara mega pano kuti muende kwaMai
Natty azviite ndinenge ndakuvaremedza
mutoro chaiwo"said sis.
"Haaa ndizvo zvamungaitira BP izvozvo
zvisina nebasa asi sis ka"said Daisy
achiseka.

"Nhai hako ndanga ndafunga kuti inyaya


ine musoro ini haaa zvakaoma ndizvo
zvinoita mabook vanozoramba vari take
take nebook zvinombodawo kufurwa
nemhepo" ndakadaro ndichiseka.Lisa
akatitarisa akadzungudza musoro
kuratidza kushoora zvataitaura.

"Noku naDaisy mati nyaya iyi haina


musoro saka tell me muchasara
muchigara kupi"vakabvunza.

"Tosara tichigara pano ko pane chakaipa


here"ndakadaro.

"Muchigara nani pano"

"Iyazve zvambonyanyo kudiniko nhasi


,tongosara tichigara tiri 2 ka hanty
muchazodzoka here"ndakadaro.

"Azviite izvozvo never kuti mugare mega


no no ndazviramba" vakadaro
vachibuda.Takangovhura maziso nekuti
sis vanga vakamhenya serious.Kana
vasiri kuda tigare pamba pavo
ngavatibudire pachena.Kuna Mai Gift uko
kugehena unonogara uchichema vane
hutsinye unogona kurovheswa chikoro
uchinoswedzwa mumunda pasina
chikafu.Sis ameno kwavakaenda
ndakazoona vakudzoka vakabata ana 2.

"Noku naDaisy muchiri vadiki kubuda


mazamo hazvirevi makura chimbomirai
kuita zvevakomana mumboita zvechikoro
mupase zvibhowe vanotitarisira pasi"said
Lisa.

"Ini handina hangu mkomana hongu


varipo vanotinetsa tinovatuka"said Daisy.

Takabuda kuenda kugarden kwedu


ndikaona makazara sango.Mai Gift
vaisaita care negarden iri.Takaenda
kunokumbira mapadza kumba kwamai
matemba tikanorimira zvedu mugarden.

"Ngatiite care negarden iri takariisirwa


namai vedu"ndakadaro.

"Yaaa shuwa side iro roda kusima


macarrots iro toisa spinach you know
zvatakadzidza kuAgriculture zviye ka"said
Daisy.

"Apa wataura zvine musoro mari


yekutenga mbeu ngatikumbire sis Lisa
havatinyime vanofara vakanzwa zveplan
yedu iyi"
Takabvisira sango rese raivapo.Tapedza
takaenda kumba tikasvika Lisa asipo
ndakaziva ari kuverenga kwamai
matemba chete.Pasina nguva ndakaona
Hakim auya pamba.Takatanga kutaura
naye zvedu.

"Ko mai 2 varipi"

"Havako here kumba kwenyu"ndakadaro.

"Asobvako kudhara uyo nguva dzauya


kutora vana"said Hakim.

"Vanodzoka vanogona kunga


vambofamba famba zvavo"ndakadaro.

"Mkoma Hakim makazondinyepera paya


kuti maida kundipa mari ndikuida nhasi
handikanganwe ini"said Daisy

"Andina kufamba nemari ini"said Hakim


achibudisa mari muhomwe yake akatipa
tese ndakafara.Haana kugara akabva
amboenda pamota yaDiva akaitarisa
tarisa akabva aenda hake.

"Mupfana apa tafa nemari hona hiiiiiiiiii


yeeeeeee"ndakadaro ndichijamba jamba
ndikabva ndatadza kutsika
ndikadonha.Ndakaminyuka ndakatanga
kuchema.

"Wanzwa butter unofarisa Noku dai


kaguka kamukumbo ikako"akadaro daisy
achiseka.Apa ini
ndairwadziwa.Ndakaramba ndichichema
ndanga ndakutadza kumira.

"Aaah wakuwara zvemashuwa here hiii


sorry Noku"said Daisy achiratidza
kundinzwira tsitsi.

Daisy akandiswatudza gumbo rangu


ndakaridza mhere.Ndanga ndakutsamina
pandaifamba.Takasuka mandiro zvedu
kwanga kwakusviba.Sis Lisa vakabva
vasvika vakabereka vana vavo umwe
vakaita zvekubata muruoko.Vakasvika
vakagara zvavo padoor
vakatitarisa.Pavakandiona ndichifamba
vakaramba vakanditarisa zvekuvhura
ziso.

"Iwe Noku huya pano chii chawaita"said


Lisa.

"Chandaita kupi sis" ndakadaro


ndakavhura ziso.

"Noku ndokurova usada kunyepera


kuvhiringika,Daisy ko pamabva pano
maendepi"

"Taenda kugarden uko tikanobvisira


masango akuna kumwe
kwatazoenda"said Daisy.

"Vapfana imi saka mukundiona kunga


ndakapusa inini manje heee"vakadaro
vakwidza voice.Apana akavapindura ini
ndaishaya kuti tambotadzei.

"Dairai ka ndiri kutaura nemi"said lisa.

"Todaira kuti chii tiri kuziva nyaya yacho


here takamirira kunzwavo kwamuri
zvataita zvacho kana iri mhosva kusvika
kugarden zvataita
atichasvikeko"ndakadaro.

"Chii chaita step yako ichinje warara


nemkomana ka"

"Ndadonha pandaifarira mari yangu


yandapihwa naBamukuru hakim iri
apa"ndakadaro ndichivaratidza ndakaona
vatarisa pasi ndofunga kunyara.

"Sorry nezvandaita vapfana vangu


kungoti andidi nemi ndakatarisira
zvihombe kwamuri vana vamai vangu"

Vakati zorarai ndibike.Vakabika zvavo


vachitiudza nyaya.Chikafu chakaibva
chikapakurwa tikadya.Manheru tava
kunorara Sis Lisa ndipo pavakati ndoda
kutaura nemi.

"Pamandiona ndisipo ndanga ndaenda


kumba kwababa kunotaura namai Gift kuti
vapfana vangu vari kuuya pano
vambotanga vachaita nharo, ndikafonera
mudhara vakati vari kuuya paweekend asi
vatuka Mai Gift pafoni nenyaya yekuda
kukurambidzai kugara pamba"said sis
Lisa.Vakambonyarara vakatitarisa.

"Ini Friday ndiri kuenda kutown ndipo


pamuchaendawo kunogara namai Gift asi
ndichakusiirai kafoni aka chanetsa call me
kana kuudza mai Natty, Mai Gift
vakakuitirai hutsinye musanyarara taurai
kuna mai Natty, mai gift vagara vane
nyaya yavo iya Noku yekukurimisa
mumunda wega"said Sis
vakambonyarara.

"Ini kutaura chokwadi vakada kundisaiza


topedzerana vanopatama nekuti pamba
pedu isu tichazobvapo kana tichinge
tawanikwa"said Daisy.

"Handina kuti endai munoita hondo ,basa


ngariitwe ramaingoita pano asi kumunda
kana ivo vasipo musaenda munoenda
navo panyaya yekugarden ndafara iro
ndorenyu mofana kuita care naro
musatya baba vanokudai asi mweya
yetsvina ndiyo yakavabata vanamatireiwo
musavakanganwa paminamato
yenyu"said sis Lisa.Ini panyaya dzavo
andina chandakadaira Mai Gift
ndaivaziva.Vakandisakurisa munda wese
vachindinyima chikafu futi.

"Nokutenda I know wakatsamwa asi


please ndinzwisisewo ndosaka ndati
ndikusiya foni iyi kana kuudza mai natty
kana vakakushungurudzai"

"Sis zvamataura ndazvinzwa as long twin


wangu ari pedyo neni no problem torwa
hondo dzedu tese"ndakadaro ndakatarisa
Daisy ndikaona akunyemwerera.
Takanamata tikarara makuseni takaswera
navo sis Lisa.Hakim anga adzoka kutown
zuva iri.Akafonera Mai vake akavaudza
kuti Lean akaenda kumba kwavo
akatorwa nebrother yake.Hanzi akasiya
anyora tsamba mbiri imwe kuna mai
Matemba imwe kuna hakim.Line rake
rairamba kuita ndisis vaitiudza nyaya
vakati zvamuri mufambe muchiparidzira
vanhu.Saka sis Lisa vakati vachambomira
kuenda kutown kusvika Hakim agadzirisa
nyaya dzake first hanzi handidi
ndizobatanidzwavo.
*ROPA*

Ndakashaya time yekudzokera kumusha


kuna Lisa, mama vakanditi ndoda uende
kumalessons unonyoresa Maths ,Science
neEnglish zvandakafoira.Ndaida kunyora
muna June panga pakaipa.Ndanga
ndasuwa Lisa asi pekutaura naye ndaiva
ndisina mama vangu vakanditorera foni
yangu.Ndaingonamata kuti dai June
asvika ndapedza kunyora ndanoona Lisa
naNatty naNoku.

"Mama ndokumbirawo foni yangu


kwanhasi"

"Foni iyoyo ndogona kusakupa zvachose


mbiri yandakanzwa yakashata pauri"said
mama.

"Mbiri yei mama"

"Imwe yei yevakomana itawo serious


nehupenyu dzidza ndiLisa hona ari
kutambura nekuda kwekuti haanawo mai
vanomira naye asi iwe una mai
wakutofarisa"said mama.

"Panyanya yaLisa ndokushoorai mama


mungasiya vana vasis venyu
vachitambura here"
"Lisa naNoku ndakaedza kuda kuvatora
kugara navo asi Potse ndiye akati siya
vana vangu ndakaedza ndaedza zvekuti
takagumisira tatotukana naBa Lisa"said
mama.

"Asi zvavanoita baba lisa hazvina kunaka


Mwari ave navo"

"Ndazvinzwa iwewe siya zvevakomana


ava uri kuzvinzwa here zvese
ndakazvinzwa zvekuti waida kutotizira
kwaMatemba manje uko
hauchadzoke"said mama.

"Mama nyaya idzodzo ndedzekunyepa


dai lisa naNoku varipo vaindipupurira
ndotizira ani ikoko Mai vaya
ndakavavenga pasi nekudenga vane
hutsinye"

"Ropa ndazvinzwa chienda muroom


mako unoverenga"said mama.

Sometimes kuverenga hakuda


kumanikidza munhu.Siyai munhu
averenge paadira not kuita
zvekumumanikidza.Ndakangovhura book
but apana chaimbopinda ndaifunga foni
yangu.Mama vakabuda ndikaenda
muroom mavo kunotsvaga foni yangu
ndikaiwana kuita on kuona amuna line
rakabviswa.Ndakapera simba kutsvaga
line andina kuriona ndakasiyana
nazvo.Manheru ndakaenda kumalessons
angu ndikaita.Ndakudzoka ndiye dhuma
dhuma naDonny achibva kubasa kwake
akapfeka work suit yake.

"Hesi" ndakadaro ndini ndakatanga


kumumhoresa.

"Uri sei hako Ropa uriko hindava kurova


how is Diva"

"Ndiri nani uyo Diva ndakazomuramba I


think pandakamubvuma ndakaita mistake
chete andidanane nematsaga akaita sana
diva"ndakadaro, Dony akatanga kuseka.

"Hoo saka pakaipa ini rega ndimhanye


paden nhasi ndanonoka kubuda"

"Ko ndakanzwa kuti waane mota


makorokoto"

"Wakanzwa nani haa kungodaro daro


wangu bye" akadaro akufamba kuenda.

Ndakaenda kumba ndikasvika mama


vagara vachiona zvavo Tv.Vanga vabika
ndakadya ndikarara.Ndaisada kugara
namama nekuti pese unenge uchingonzi
wakatogara isu madays atakakura
taisawana time yekugara kwawakaita
takakura tichishanda nguva yekuverenga
iri shoma.

Mangwana yaitova weekend ndakabuda


ndichida kuenda kutown kunotenga
magreenbook angu.Ndakapinda mucombi
yaDiva imi anga achinja musoro
wakaiswa malog.Iye haana kundiziva
nekuti ndanga ndakapfeka magirazi
emucheno aya nesun hat.

"Eeeh tipei mari dzacho"said Diva maziso


aita kunga ari kuda kuvhara so kunga ane
hope kuri kukwapaidzwa nechamba
chavanorova.Takabvisa mari dzedu
ndofunga aida kuita rasta musoro wese
wanga wakaiswa malog apa zvanga
zvisina kumufita futi.

"VaShuroyaonda murume uye haapinde


denga chete vakatora mkadzi wemunhu"
said woman 1 anga akagara pedyo neni.

"Zvakangofanana izvo imi vakadzi


makupusa ndimi mopinda denga
here,inga wani muri kutora varume
vevanhu"said Kedha shamwari yaDiva.

"Ladies and Gentlemen let’s all be clear


on this.Hakuna murume kana mukadzi
anotorwa.Munhu ndiye ega anoyenda
kwaanoda. Musafambe muchitaura kuti
akatora murume kana mukadzi
wemunhu.Chinotorwa Chitupa, raisensi
kana birth certificate kwete munhu
mazvinzwa here"said Diva.Ndakaseka
haa Diva pane basa nyaya iyi yakanetsa
mucombi.Diva akazondiona pandanga
ndakudzika ndakaona andibata
ruoko.Ndikamuvhizhura ndikatanga
kufamba zvangu.Zvinyadzi
zvandakatukwa ipapo imi ndakanyara.

_drop your comments_


*Watch out for chapter 46*
[2/25, 5:24 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/Ecq45HdRqIj3
HCzS5qOhi5

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 46*

*Hakim*

Pandanga ndiri kumusha ndakaona


mamissed calls aLean ndaisambodaira
foni .Ndakaona asenda messages achiti
uchandifunga chete ita hako.Handina
kumbopindura Lean ndaimuziva
anombotsamwa zvinobhowa.Ndoshaya
kuti kabehavior aka kaari kuita
akambokaona kupi.Kubva
zvandamuroora atina kumbonetsana
sezvatakuita apa.Ndakaudza Lisa kuti
azouya naDean paari kuuya.Ini
ndakafana kutungamirira
zvangu.Ndakasvika pamba pakalokwa
pasina munhu.Ndakavhura nemaspare
key andaifamba navo.Ndakaona patable
paine tsamba mbiri imwe yakanzi to mai
Matemba imwe iri yangu.Ndakaona
handwriting ndikaziva ndiLean anyora
chete.
*To Hakim*

*Hakim moyo wangu unorwadza


ndinoshaya mai vako
ndakavatadzirei.Inga wani ndaivapa rudo
semuroora asi moyo wangu wasviba
handikwanise kuvaregerera kusvika
ndabata mwana wangu mumaoko ari
mupenyu.Iwewe hausisina rudo neni
zvakuita kunga ndini ndiri wrong
ndakasungwa, akasunga akuita kunga
akagona but hazvisi fair.Hongu mai vako
muroyi vaya zvikanzi vanofamba husiku
vachiroya andizvirambire iwewe zvagara
unongoenda side ramai
vako.Ndakazviona unoda mai vako than
me asi panyaya yakaita seiyi tarisa
masides ese.Ndainzi ngomwa naivo mai
vako muroyi vakauraya mai Lisa futi
muroyi ini han...*

Ndakabva ndaibvarura tsamba iyi.Hasha


dzandanga ndadzano panguva iyi dzanga
dzakanyanya.Dai Lean aiva pedyo
ndaimurova chete.Ndakazovhura
mamessages aiva paApp ndipo
pandakaona mamessages aSean achiti
ndiye auya kutora hanzvadzi yake.Hanzi
kana uchida mkadzi wako uchauya
moripa mhosva yenyu hamutori mwana
wedu kumushungurudza.Ndakashamisika
kuti Lean akanotaura kuti
taimushungurudza here.Ndakavhura
yanga yanyorerwa mai vangu.

*Mama ndinoti Mwari ave nemi pazvese


zvamuchaita.Inga wani ndaikupai rudo
semuroora.Mainditi ngomwa muchindiita
munhu akaipa ndichinyarara.Zvamaindiita
zvese izvi andina kumbobvira ndataura
kana kuhama dzangu asi yekusunga
chibereko changu sorry zvenyu
ndatoudza everyone wekumba
kwedu.Hamuna moyo wekubereka mai
imimi mukaona munhu kunyarara
mofunga akapusa manje ini naLisa
takasiyana.Pamwe Lisa
makamushandisira mushonga kuti
akuregererei futi.Mai imi makaoma ndiri
kutadza kuzvigamuchira kuti ndanga
ndine amwene muroyi apa.......* Andina
kupedza kuiverenga futi
ndakabvarura.Lean ane shuwa kushinga
kuti mai vangu muroyi.Adii kungonyarara
zvaisimboita inga anga ambori humble
wani.Lean ngaabve agare kumba kwavo
ikoko andingagare nemunhu anotuka mai
vangu.Hongu vakatadza asi munhu
anochinjawo how do you feel uchinzwa
mai vako vachinzi muroyi.Kubva
ndichiroora Lean ndiko kekutanga kuona
kabehavior kake kakaora aka.

Mai Lean naSean ngavadzidzise mwana


wavo hunhu pane kuswera kuuya kumba
kwangu vachindiudza zvekuti
ndakaromba.Vaguta kudya mari dzangu
vakutadza kutaura manje ndiko
kekupedzisira havachafe vakaona cent
rangu kusvika vakugona kutaura.Sean
akandifonera akataura zvekuti tikukupai
madays ekuripa zvamakaita pasina
izvozvo tiri kuenda kunoona sabhuku
wenyu akabva akata.Hama dzaLean
dzanga dzakutiita kunga takapusa manje
ngavaende kwasabhuku kwacho.Izvi
zvakaita moyo wangu usvibe pana
Lean.Ndakagara pasofa ndakabata shaya
ndanga ndakatsamwa kwete
zvekutamba.Lean kusimudza mhepo
dzanga dzapera.Akadii kutaura neni tiri 2
mune zvakanaka.
Ndainzwa kuremerwa pamoyo pangu
ndaidawo wekusheya naye dambudziko
rangu.Ndakabva pamba kwakusviba
ndikaenda kwaDiva ndikasvika achidya
sadza nemaverge.Ndakasvika
kuzvikandira pasofa akapedza kudya
akarongedza ndiro yake.

"Hakim chiii chanetsa mwana


wamai"akabvunza Diva anga asina
kudhakwa hake.Ndakamutsanangurira
mamiriro anga akaita nyaya yese
netsamba dzanyorwa.

"Are you serious kuti Lean anyora tsamba


achituka mama haaa munhu uya ka
akuda kufarisa ndipei ndione machats
aSean acho"said Diva ndakamupa foni
akaverenga hake.

"Mama ndavarerera hangu asi ava vari


kuda kusimudza mhepo kuda kuuraya
mama vedu neBP manje neni
topedzerana Sean haandizive mushe
ndiye ari kusimudza mhepo idzi"said
Diva.

"Zviri kundirwadza Diva andizive ndoitawo


sei"ndakadaro.

"Munhu akati nyaya dzekuhama


dzekumurume dzoudzwa hama
dzekumukadzi ndiani,pane nyaya dzimwe
dzoitika kumurume dzisingafani kuudzwa
hama dzekumukadzi, ibenzi Lean uyo
kana akanzi ihure andirambe aratidza kuti
haakudei chii chabvira pamba apa
atadzirana nemi here"said Diva ndakaona
aitaura zvine musoro.Ndakatanga kuona
Diva asina kudhakwa anenge ari munhu
kwaye achitotaurawo zvine musoro.

"Lean andizive chii chiri kuitika paari


arwadzisa moyo pakutuka mama apa
abhaiza ngaabve agara ikoko zvachose"
ndakadaro.

"Haaa kana vakaenda kuona Sabhuku


tinoendawo kwavo tongovaudza kuti
vakauya kumba vachikutuka vachikuti
wakaromba imhosva ihombe chaiyo
iyoyo"said Diva.

"Ngatimire namai vedu unoziva utano


hwavo haudi kuvhiringwa vhiringwa
chimwe chinhu ndoda umbomira kubata
madrugs wogerwavo musoro
please"ndakadaro.

"Kana Lisa akandiregerera ndosiya bro


asi kana akaramba ndoramba ndichirova
nekuti apana zvandingaitawo asi panyaya
yekusamuka kwenhengo yangu Lisa
handimuchenesi anenge ndiye chete aida
kuti ingomirira iye,I still remember day
randakabata Lisa ndiri kumusha ndichida
kurara naye yanga yamira asi kune
vamwe yakaramba"

"Lisa chaiye kukugadzira handizvitendi ini


panyaya yako iyo pane zvakaitika chete
but handifunge Lisa ane zvaakaita"
ndakadaro.

"Lisa obvious ndiye manje kana ariye


anofana kundiregerera ka"

"Chimbosiya Lisa agadzire future yake


kana uchimuda zvemashuwa siya
madrugs aya wogerwa musoro wozoenda
kwaari wakazvininipisa uchikumbira
ruregerero"ndakadaro
Takataura nyaya dzakawanda naDiva
ndakaona achitora number dzaSean
akamufonera.

"Hello ndiani"said Sean.Foni yanga


yakaiswa paloud.

"King Diva Matemba saka iwewe watora


mkadzi wamkoma wangu kuti zvidii hatina
kubvisa here roora heee hatina kupedza
kubvisira here,ukatarisisa ava kunzi Lean
Matemba saka who are you anotora
mkadzi wamkoma vangu, unoti mkoma
vangu vakaromba wakaromba navo here
,unoti mai vangu mai vangu muroyi
wakaroya navo here, vese vari kuti mai
vangu muroyi go to hell nxaaa"

"Uri kuziva munhu wauri kutaura naye


here iwe,unozviziva here unogona
kupinzisa vamwe venyu busy nemashoko
awataura aya dai muri vamwe
muchizvininipisa sezvo makatadza
maratidza kukura musoro mai vako
ndanzwa futi kuti vane mhosva yekuba
mwana ndogona kungoenda kumapurisa
izvozvi vakafira mujeri muroyi muroyi
apana chochinja"said Sean.

"Go to hell nigga namai vako muroyi


futi"said Diva achibva akata foni yacho.

"Mazviona Lean haana kana nehunhu


ndofunga aenda kunotaura zvese
zvakataurwa musi uya"said Diva.

"Ibenzi uya ndatozviona kunyepa


kungwarira nhema manje ngaagare ikoko
uyo anozviti Sean ngaende kumapurisa
kwacho tinoona anowina here"

"Haa ini Sean ndoda kumumamisa


handisi kana kumboseka ari saLean
anoda kumbogara naye pasi tomubvunza
kuti tine zuva ratakambotaura zvekumba
kwavo here tine zvakawanda zvatinonzwa
asi apana chatotaura apa akusvibisa zita
redu" said Diva.

Kwanga kwasviba tikati tiende kumusha


nhasi wacho.Takafamba manheru iwayo
tikasvika mama vachinamata
naDean.Pavakapedza kunamata mama
vakafara kuona Diva.Vakabva
vambundirana vakaregererana zvavo.

"Ko muroora wangu aripi tell me Hakim


iripi tsamba yawati akandinyorera"said
mama.

"Lean ndamuvenga mama andirwadzisa


ndaimuda asi aratidza kundishoora
ndoshaya akahuwanepi hunhu
hwakadaro" ndakadaro.Ndakavaudza
zvese zvanga zvakanyorwa mutsamba
ndakaona maziso amai vangu ajenga
misodzi.Izvo ndizvo zvandaisada kuona
manje.Pakachema mai vangu pakakwana
tava pakugadzirisa mamistakes akaitwa
kwete kuchemedzana.Tiri pakati
pekutaura Lean akabva afona foni yacho
ikatorwa naDiva akati anoda kudaira.

"Hello ndiHakim here"said Lean tainzwa


foni yanga yakaiswa paloud.

"ndiKing Diva Matemba manga matii


maiguru"said Diva.
"Imimi bamunini sei muchidaro handina
kuzvifarira zvamaita apa matuka mkoma
vangu namai vangu kuti zvidii
musapindire nyaya dzamusingazive siyai
Hakim apedze nyaya dzake ndiye muridzi
wenyaya not you imimi tanga mapedza
dzenyu naLisa"

"Iwe mkadzi iwe usada kundijairira


maguta mari yekwaMatemba makufarisa
ka go to hell Lean haundiudze zvakawora
kudai Hakim is my brother
handimbonyarari muchitaura matsvina
akadai iwewe unaona kuti uchatadza
kudzoka kumurume nekahunhu
kanonhuwa kunga chidembo"said
Diva.Lean akabva akata foni
yacho.Ndakaona Dean akuseka
ndoshaya chii chaisetsa apa.

"Saka uri kusekei Dean uri kuseka inini


manje "ndakabvunza.

"Aiwa mkoma ndiri kuseka zvataurwa


namkoma Diva"said Dean.Mama vanga
vabata shaya vakanyarara zvavo.

"Mama nyaya iyi musafunga nezvayo


ndichaipedza mama"ndakadaro.

"Vanangu ndiri kuda mangwana tipinde


pamutsanyo kana zvichiita tonoswera
kugomo chaiko"said mama.
"Ini hangu handigoni kufasta saka ndoita
sei"said Diva.

"Be serious Diva unofa here ukafasta


tozodya kumapast 5 zuva rakudoka tikuda
kunamatira restoration zvese zvakabiwa
nasatan zvidzorerwe iwewe Hakim satan
ari kuedza kuba marriage yako tikuda
kunonamatira rudo rwanga rwuri
mumarriage mako rwudzoke newe futi
Diva udzikunurwe naMwari"said mama.

Apana akaita nharo ndakapihwa chikafu


ndikadya.Tikabva tarara makuseni
tikagadzirira kuenda kugomo.Takaenda
zvedu Diva aida kuramba asi takaita
zvekumutora zvenharo.
Takasvika tikanamata hedu
ndakapererwa kuti mai vangu
vanonamatawo zvakadai.Ndairamba
ndakavatarisa ndikaona vaiva serious
vaita kubuda musodzi.Ari Diva anga
aenda kunogara kwake ega.Aiti mama
vakamutarisa onyepera kuita kunga ari
kunamata iye asiri.Diva raitova
dambudziko.Takaswera mugomo
takadzika zuva rava kudoka tikasvika Lisa
akagara zvake paveranda nevana
vake.Diva achiona Lisa akafara asi Lisa
anosunga chiso zvekusada kuona
Diva.Anobva asimuka akatimhoresa tese
akambotaura namama ndikamuona
akubuda.Ndakaziva kuti kutiza Diva
chete.

"Ko abudirei uyu mama" said Diva.

"Ati ari kudzoka aenda kwamai Natty


izvozvi" said mama.

_drop your comments_

*Watch out for chapter 47*


[2/25, 5:24 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587
*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 47*

*DIVA*

Zvakaita Lean azvina kana


kumbondifadza kana
kaone.Wakambomuonepi muroora
anotaura zvinoitika kumba kwakaroorwa
achiudza hama dzake.As for me Lean
ndatomuvenga Hakim ndaitomukurudzira
kuti atsvage umwe.Asi Hakim wacho
aitoita kunga akadyiswa naLean
wacho.Sean ndaida kumuona chii
chinoda kuripwa kumba kwavo ko
takauraya munhu here.

"Lean pano handichadi kumuona Hakim


vasikana vakawanda havaperi
unongotsvaga umwe wekuroora"
ndakadaro.

"No no mkoma Diva, maiguru Lean


munhu ari bhoo asi kungoti vakafurirwa
nehama dzavo uyo anozviti Sean ndiye
aporonga zvinhu ndiwo maonero
angu"said Dean

"Ko nyaya dzekunetsana kwamama nana


mai Lisa akadzitaurirei kuhama dzake
ngagare uko ukaona mkadzi akadai haite
atoratidza matrue colours ake nguva iripo
aida kuzotinetsa kumberi uko"ndakadaro
mama vanga vari zii vachiterera
zvataitaura.

"Apana chinonoripwa ikoko vatora mwana


wavo ngaabve agara ikoko zvachose
aratidza kundishoora ndakudzoka SA inini
very soon saka mama muchanogara
naLisa kutown achiita malessons ake
zvoita here"
"Lean ndofunga akatsamwa hake
chimbomusiyai akadaro hasha dzaserera
achadzoka ndongomuda semuroora
wangu"said mama.

"Saka ini ndini ndisina hasha here mama


anojairira akadzoka musamuvhurira gate
iwewe Dean enda unodaidza Lisa
nditaure naye"said Hakim.Dean akabuda
pasina nguva akabva auya
naLisa.Akauya asina vana ndofunga anga
avasiya nanaNoku.

"Mai 2 inini ndakudzoka SA asi ndichange


ndichimbouya hangu kuno ndakudeedzai
kuti Lean akadzoka musamubvumidza
apinde mumba ndapota hangu"

"Okay ndoita zvamataura I hope


mamuudza first kuti asazofunga kuti ndini
ndiri kumurambidza"said Lisa.Ameno
kavoice kaLisa zvakanga kangori
kaindinzwisa zvimwe zvinhu so.

"Ini hangu akauya andikwanise


kumurambidza dai waenda nyaya idzi
dzapera"said mama.

"Mama apana nyaya dzoda kupera asi


kana makuti tosaina madevorce papers
ini handingagare nemunhu akadaro"said
Hakim.

"Mwanangu dzora hasha usatenderera


satan aparadze marriage yako,
ngatinamate achauya anochinja vana
vangu mirai kutuka hama dzaLean please
zviri nani kunyarara ndoda unity,peace
and love pamba pano"said mama.

"Asi Lean ari kuzviitisa uyo zvingani


zvavakabatsirwa naHakim vakumuti
akaromba haaa zvimwe zvinhu zvoda
kutanga wafunga usati wataura"
ndakadaro.

Hakim ndaimuona anga akatsamwa akati


Lean handichadi kumuona akandiita benzi
akaratidza kundishoora.Mama
vakamboedza kutaura naye asi
aitoratidza kuti anga atoita give up.Lisa
akabva aenda hake ndakaramba
ndakamuyeva hangu.Ndakatanga
kuzvituka apa ndakaramba simbi
chaiyo.Ndakasiya Hakim pamba
ndikabuda.Ndakaenda kumba kwevamwe
rasta kwaitengeswa chamba.Ndakatenga
ndikachimota ndikachirova zvangu
ndakagara mumumango .Ndakachirova
kusvika ndapedza ndipo pandakaona
vana vaibva kuchikoro.Ndipo pandakaona
Noku naDaisy vaiuya pamumango
apa.Ndakaona vakukanda matombo
mumuti vachitemha mango.
"Musati makanda matombo enyu
monotanga matarisawo kuti mune munhu
here munotikuvadza
tikakurovai"ndakadaro
ndichidzika.Ndakaenda pavari Noku anga
akudya mango Daisy ndiye anga akabata
matombo mumaoko aida kutemhawo
yake.Mango dzacho dzanga dzakupera
hadzo mazuva aya.

"Munotirova sei muchinge makuvara"said


Noku.

"Ko imi motsvagei mumuti"said


Daisy.Ndakabva ndatyora hangu
ndaisada kuvaitira hasha ndaida
kuzovasoftra ana Ras Fidza
sezvatakawirirana.

"Apana ndaidya zvangu mango mumuti


umu"ndakadaro.

Hatwuna kupindura twakangotenderedza


maziso twuchifamba kuenda.Ndakaenda
kumba ndikasvika vanhu vachidya
zvavo.Mama vakatanga kuda
zvekunditsiura zvaibhowa.

"Diva honawo zvakaita musoro wako


hazvichaite pawapinda apa tanzwa
kamwe kasmell unombogezawo here"said
mama.

"Anenge abva kunobhema ndipo


paanobhowera ndiye umwe anoda
munamato uyu"said Dean.

"Dean gara wanyarara handide


zvekunetsana newe ziva zvekukwirana
naNatty wako"ndakadaro
ndatotsamwa.Dean aida kuzviita muholy
kuna mama ini ndonzi ndakashata manje.

"Iwe Davie undinyare wanzwa here uri


kuuraya hupenyu hwako nemadrugs aya
ndaiti uchaitawo munhu kwaye"said
mama.

"Mhamha mwana wenyu ndamutadza uyu


ndanga ndichifunga akuchinja izvo
kwaani" said Hakim.

"Davie mwanangu unoda ndife neBP here


dai waitawo munhu pavanhu not zvako
izvi itawo semunhu ava nevana, hongu
Lisa haumude nevana vako hauvade futi
here dai mari yauri kubhema nayo
uchitengerawo vana hembe zvino unoda
vakure vasina kumboona rudo rwababa
vavo iwe uripo"said mama.
"Panyaya yevana Lisa akandirambidza
kuvaona haisi mhosva yangu, vana vangu
ndovada vese namai vacho asi mai vacho
vanondiita rough inobhowa"

Hakim naDean vakabuda ndikasara


namama.Vakambotaura neni
vachinditsiura zvainzwika nani zvaipinda
zvichibuda pfungwa dzaiva kure
ndaitogaya kuenda kunotsvaga
anondibatsira kuti nhengo yangu
imuke.Ndakatanga kufunga vasikana
vandakarara navo vese.Ndakatoziva kuti
ndiLisa chete akandisunga akuna
umwe.Mama vakazoona vega kuti
vaitaura vega vakabva vanyarara
zvavo.Ndakaona vatora badza ravo
vakuenda kugarden.Ndakatevera
ndikaona hezvo garden raiyevedza
kutarisa ndikaona side remacarrots
ndakafara.

"Mama ndimi makarima muno here"

"Ehe naLisa aindibatsira"said mama.

"Pamacarrots apo makagona"

"Ndakaitira iwe unomada mwanangu"


vakadaro mama
vachidiridza.Ndakavabatsira ndapedza
ndikaenda kumba kwaLisa.Ndakasvika
kumbomira pamota yangu ndichiitarisa
tarisa.Kwanga kwakusviba Noku naDaisy
vaibika zvavo pachivanze.Lisa
ndakamuona hangu akagara zvake
paibikwa.Ndakaenda paari Lisa ndikati
ndikuda kutaura newe.Akasimuka
tikanomira pamota.

"Lisa ndoda undiregerere ndoda


tidzokerane tichengete vana vedu pamwe
chete"ndakadaro.

"Ndizvo zvawandisimudzira apo here


Diva"said Lisa kavoice kake ameno
zvakaingondiita so.Ndakamubata muwaist
ndichida kumuswededza pedyo neni asi
mbama yandakapihwa ipapo yanga isina
kumira mushe ndakaona Noku naDaisy
vakuseka.Vakandiseka zvakandirwadza.

"Unondibata kuti ndiri mkadzi wako here


next time ukazviita ndokutema tema
maoko aya"said Lisa.Noku naDaisy
vakawedzera kuseka.

"Imi mahure chiii chamunoseka ipapo


heee,iwewe Lisa waguta kunyarwa manje
ndotokubata uri mkadzi wangu wanzwa
here"

"Mkadzi wako ini manje kutanga rini


ndibate kana une nharo"said Lisa.
"Lisa ndokurova wanzwa wakandisunga
kuti nhengo yangu isamira izvozvi
wakundiramba futi"ndakadaro.Daisy
naNoku vanga vadzoka kunobika.

"Une evidence inotaura kuti ndini


ndakakusunga here usandijairira Diva
usafunga kuti ndikagara ndega ndava
hure enda unonetsana nevakakusunga
kwete ini"

"Lisa ndakuzokurova manje"

"Unorova asina maoko nxaa"said Lisa.


Ndakabva pamba paLisa ndine hasha
dzakawandisa.Lisa ndaimuda but aiita
kuti ndinzwe hasha.Akandisunga apedza
akutaura matsvina akadaro.Ndakasvika
pamba vanhu vakudya.

"Munabata Lisa wenyu ndomurova akafira


mumaoko angu munhu akundisunga
apedza oramba futi kundiregerera"

"Yohwee Lisa haana kusiiwa arohwa here


uko"said mama vakabva
vabuda.Ndofunga vakaenda
kwaLisa.Hakim naDean vakaramba
vakanyarara havo.Ndakaenda kunorara
zvangu.

*LISA*

Diva anopenga anofunga ndakapusa


kani.Kana achifunga ndodzokerana naye
ari kuzvinyepera.Hongu ndibaba vevana
vangu asi ndakavabvisa pamoyo.Vana
vacho haana kana basa navo futi.Ndaida
kudzidza nesimba ndipase ndigochengeta
vana vangu.Pakaenda Diva chikafu
changa chaibva chakapakurwa tikatanga
kudya zvedu.Ndidzo time dzakasvika Mai
Matemba.

"Mai2 hauona kurohwa nemupengo uyu


here"said gogo va2.

"Ndini ndatomurova akundinyepera kuti


ndakamusunga but zvaanoita zvakashata
mama" ndakadaro.

"Usafurirwa naye Lisa kusvika amboita


munhu kwaye ndanga ndava worried
ndaifunga akurova rega ndiende"said
mama.

Ndakavaperekedza ndikadzoka
hangu.Mazuva akafamba naDiva taigara
takatukana.Diva akagumisira adzoka
kughetto kwake.Ini ndanga ndakuenda
kutown kunoita malessons.Ndakaendesa
vana vamai vangu kumba
kwababa.Vakachema ndakaona vaisada
kugara pamba apa asi ndaiva ndisina
plan.Kuti vagare vega zvaisaita ko
vakazotanga kuita vakomana kana
kubatwa chibharo.

"Sis tokudai please endai munodzidza


nesimba"said Daisy.

"Vapfana vangu ndoda muite sevana


vanoterera mabasa anofana kuitwa nemi
itai musarambe andide kunzwa kuti
manetsana namai Gift chanetsa call me
ndakusiya kafoni aka ,ndichanotenga
kamwe ndava kutown"ndakadaro
ndakabva ndambundirana nevana vamai
vangu.Ndakasiya ndavapa imwe mari
yandanga ndinayo ndikati muchengete
mozotangewo zvipfeko zvemukati.Ko
vanotengerwa nani pasina ane care
navo.Ndini ndaiva mai vavo ndini ndaiva
futi zvese zvavo.Ndakabva ndaenda
kunoona Mai Natty ndikasiya ndavaudza
kuti munazondionerawo vana vamai
vangu.Mai Matemba ndaienda navo.Dean
aienda futi saka pamba pavo
pakatsvagwa munhu anosara aripo
akapachengeta.
Mota yakamutswa ndaiva yamai Matemba
ndiDean ayidriver hake.Mai Matemba
vanga vari iri mberi yaHakim.Takasvika
pamba pacho ngapanake.Saka Lean
kusiya imba yakanaka kudai iiih vamwe
vanhu havana kumbokwana.Takaratidzwa
imba yese yanga yakakura zvayo
tikazoratidzwa marooms edu.Kumadziro
ndikaona mapics aHakim naLean
epamuchato wavo.Mamwe anga ari
efamily yavo nana Diva varipo.

Hakim akachinja makeys epa madoors


kuitira kuti Lean akadzoka makeys anawo
anoramba chete.Ndakatsvagirwa pekuita
malessons ndikapaona hangu.Hakim
akanditengera foni nyowani yaienda
paApp ndakashaya kuti ndomutenda
nei.Hakim naDean havana kugara 3days
vakabva vaenda SA.Ndakasara nagogo
vana2.Ivo vana 2 vacho vaikura zvavo.

Mazuva akafamba ndaienda kumalessons


kwangu.Ndaipota ndichimbofonera
vapfana vangu vachiti vandisuwa.

"Lisa ndoda kukutoresa licence"said gogo


va2.

"Aaah handigoni kudriver ndotya ini


mama" ndakadaro.
"Apana chotyisa apa"

Mai Matemba vanga vane rudo pandaibva


kumalessons vainditora voenda neni
kuground vachindidzidzisa zvekuti
ndanga ndakugona.Ndakaenda kunotora
licence yangu zvikafamba
zvakanaka.Ndakavatenda nerudo
rwavo.Vana vangu vaitengerwa hembe
nagogo vavo ndakafara kuti atleast
vanodiwa vane support kwete zvababa
vacho.
Tashia ndiko kakatanga kupisa
muviri.Zvekuti kaingochema ukada
kukapa mukaka kaigona kuramba
ndakashaya kuti chii.Takaenda nako
kuchipatara tikapihwa mushonga
zvikamboita nani.

"Lisa patinonamata ngatinamate vana ava


vachengetedzwe nenyasha dzaMwari"

"Okay mama izvozvi zvava nani ko sei


zvakabata uyu ega" ndakabvunza.

"Pane zvihombe zviri paari saka satan ari


kuedza kumurwisa ari mudiki kudai isu
ngatisamira kunamata mwanangu"said
Mama.
"Chii chikuru chiri paari mai Natty ndizvo
zvavakambondiudza futi asi avana
kutaura chikuru chacho"ndakabvunza.

"Hahaha Lisa ka just pray uchazozviona


kumberi uko"said mama.

_drop your comments_

*Watch out for chapter 48*


[2/25, 5:25 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 48*
*Lean*

Hakim ndaimuda nemoyo wese ndiye


murume wandakatanga kuziva
muhupenyu hwangu.Andina umwe
murume wandakamborara naye kunze
kwake.Asi nyaya yamai vake yekusunga
chibereko changu yakandibata kusvika
pamoyo chaipo.Hakim akaratidza kuti
anokoshesa mai vake kupfuura inini
zvakandirwadza.Ndakaudza mkoma
vangu Sean zvese zvakaitika vakazoudza
mama.Asi baba vangu hapana akavaudza
nyaya iyi vaiva kubasa kwavo vaingouya
maweekends chete.Hakim akaramba
chikafu changu achirara munext room
zvakanyanya kundirwadza.Sean akauya
kunditora akati Hakim anofana kuripa
imhosva hombe chaiyo kusungwa
kwawakaitwa chibereko namai vake.

Ndakaenda kumba kwedu ndainyatsa


kuziva kuti Hakim achanditevera chete
nemadiro anondiita.Diva ndiye umwe
akandibhowa kufona achituka mkoma
vangu naMai vangu.

"Musatevedza zvaDavie uyo anotopenga


ngatange agadzirisa zvehupenyu hwake
naLisa" ndakadaro.
"Zvakaoma ndaisafungira kuti mai Hakim
vanorera vana vavo zvakapusa kudai"

"Zvishoma mama ndivo vakaita mai Lisa


vafe vane moyo wakashata ini ndaivada
asi moyo wangu wasviba"ndakadaro.

Mazuva akafamba ndichigara pamba


pevabereki angu vanhu vakatanga
kutaura zvavanoda.Vamwe vaiti Lean
akadzoka kubva kumurume vamwe
vachiti zvaisvikepi nemahuriro anoita
Lean.Ndanga ndasuwa Hakim hongu
ndanga ndakamutsamwira asi ndaida
kumuona.Ndakazama number dzake
ndikaona dzisingachaite.Kuenda paApp
hadzichatobatike.Ndaida kuendako asi
Sean ndiye aiti mira kusvika akutevera
kana akasakutevera tikunosimudza nyaya
yacho kwaSabhuku wavo.

"Ndazviona kuti mkwasha wangu haadi


mwana wangu adiii kumuteverawo"said
mama vakanditarisa.

"Ndakagara ndazviona kuti haade


hanzvadzi yangu chete maybe aishaya
kuti omuramba sei"said Sean.Sean anga
akasiyana nemkadzi wake kudhara anga
ane mwana umwe chete.Reason yakaita
kuti asiyane nemkadzi wake inyaya
yechihure.Sean aiwanza madress too
much even nanhasi wacho.

"Hakim anondida asi Diva namai vake


ndivo vari kumufurira kuti andirambe
chete"ndakadaro.

Ndaigara ndichizama number dzaHakim


dzichiramba.Baba vangu vakabva kubasa
vakasvika ndiripo.

"Ko wakauya riniko mwanangu wasiya ari


sei mkwasha wangu"vakabvunza baba.
"Mkwasha wenyu imboko uyo mudhara
namai vacho vakaroya Lean kuti asaita
mwana ndakambozvitaura madays aye
kuti Hakim akaromba chete uyu"said
Sean.

"Shuwa Baba Sean hatina mufaro


kuuraya future yemwana wangu"said
mama.

"Ko akuudzai kuti ndivo akagadzira Lean


asaita mwana ndiani"vakabvunza baba.

"Vakataura vega pavaireurira


vakatadzirana futi nemasahwira awo
vakaba mwana uya anonzi Daisy"said
mama.Ndanga ndiri zii ndakuchema.

"Hooo saka Hakim wacho abva ati


haachadi mkadzi here"vakabvunza baba.

"Ma actions ake anoratidza kuti haachade


mkadzi ndosaka ndakaenda kunomutora
kuti azouya acharipa zvavakaita mhosva
dzavo kumwana wedu uyu"said Sean.

"Saka ndimi matora Lean kumurume here


nhai"vakabvunza baba.

"Baba Sean dai manzwisisa nyaya Lean


aishungurudzwa uyu"said mama
"Plus pari kubuda futi makuhwa ekuti
akaromba "akadaro Sean.

"Lean tell me ichokwadi here


chikutaurwa"said baba.

"Hakim akatadza kuiita care neni airatidza


kuda mai vake vakanditadzira
vakandisunga chibereko zvekuti
akaromba manyepo vanhu havo vari
kungodaro"

"Lean saka unoda arambe mai vake here,


I know zvorwadza izvi kana vakabvuma
kuti vakakusunga zvoreva kuti
vatendeuka dai ari umwe asina
kumbotaura chimwe chinhu zvinhu
zvoitika kumurume azvitaurwe kuno
ngazviperere ikoko mai Sean ndizvo
zvaunofana kudzidzisa mwana
izvi"vakadaro baba.

"Ba Sean asi wakadhakwa here zvauri


kutaura zvisina maturo"said Mai Lean

"Mangwana chaiye Lean udzoke


kumurume wako unogadzirisa zvinhu
ikoko andide zvekusvibisirwa zita rangu
ini,iwewe Sean udzikame usada
kuparadza marriage yeumwe zvinhu izvo
zvogadziriswa nehama dzemukwasha
kana zvaramba ndipo pavanozotiudza"
Ndakabva ndasimuka kunorara baba
vairatidza kuti vari side rana
Hakim.Makuseni ndakamuka ndikageza
ndikapinda mumota yangu ndikaenda
kumba kwemurume wangu.Ndakasvika
pagate pakalokwa ndakanoka ndanoka
asi apana akadaira.Ndakafunga kuti
zvimwe ari kumusha kuti ndiendeko
zvaisaita ndaisada kuonana namai
Matemba.Ndakambopedza nguva
ndakamira pagate ndikaona pasvika mota
yamai Matemba.Lisa ndiye ayi
driver.Akadzika mumota mai Matemba
vakasara vari mumota.Apa anga achinja
Lisa wacho akutsvukirawo nekakusimba.
"Makadaii"said Lisa.

"Ndiri nani ko Hakim aripi vhurai gate iri


ndoda kupinda" ndakadaro.Lisa akavhura
gate ndikapinza mota yangu.YaMai
Hakim yakabva yapinda ikanopakwa
panosipakwa yaHakim.

Mai Matemba vakabuda vakatakura vana


2 vaiita kunga vasiri kundiona
ndakavasiya vakadaro.Vakapinda mumba
ndikateverawo.

"Ko mai imimi muri kudei mumba


mangu"ndakadaro.
"Eeh gulez musaitirawo mama vangu
hasha please"said Lisa.Mai Matemba
vakaramba vari zii vachitamba nevana
vaLisa apa ngavanake sei.

"Lisa dzikama mhani handisi kutaura


newe ko Hakim aripi"

"Hakim akadzoka SA akasiya ati imi


musapinda mumba muno"said Lisa.

"Lisa usanyepa hako Hakim haataure


zvakadaro ndimai Matemba ava vasiri
kundida semuroora wavo chete
ndazviona"
"Lean kundiona kunyarara kudai wakati
ndisataure newe I know ndakatadza
hangu ndosaka ndakakumbira ruregerero
kune vese vandakatadzira vasina
kundiregerera ndakasiyawo vakadaro ko
ndingamanikidza munhu kuti andiregerere
here"said Mai Matemba.

"Mama ndaikudai asi makaita moyo


wangu usvibe ndichazokuregererai
pandichabatawo mwana wangu"

"Okay zvakanaka Mwanangu"said mai


Matemba.

Lisa ndakamuona achibva mukitchen


achidya rice rakazara nyama nedrink
racho.Vakatanga kudya vese namai
Matemba vachitaura nyaya.Ndakaona kuti
vanhu vava kuwirirana
chaizvo.Ndakaenda kubedroom ndakuda
kuvhura makey andanga ndinawo
akatanga kuramba.Ndakadzoka kwaiva
nana Lisa ndapusa.

"Ko Hakim aripi imi" ndakabvunza.

"Munoda nditaure ndichiti chii ndati


akadzoka SA"said Lisa.Matauriro akaita
Lisa aya akandibhowa irough ka iyi.

"Lisa usada kuonererwa wanzwa kuti


uonekere kudai ndini unozviziva here
kana ndichida kuzvivharisa zvekuchikoro
ndozvivharisa futi" ndakadaro ndatsamwa
asi Lisa haana kupindura.Lisa namai
Matemba vakabuda vakanogara zvavo
kuseri kwemba vachidiridza
maruva.Ndakaona ana 2 vamuka
vakuchema ndakavasiya vakadaro.Lisa
akapinda mumba akaona vana
vachichema.

"Ko maiguru munogara muchisiya vana


vangu vachichema musadaro"said Lisa.

"Lisa ndiwe watanga kundiita rough


vanhu hamubatsirike ndatozviona"said
Lean.
"Hakim akasiya ati Lean andidi kuona
tsoka yake pano kukusiyai kwandaita uku
musikanzwa dai madzikama"said Lisa.

"Lisa pano pamba pemurume wangu


kana wanga une pfungwa yekutora
murume wangu kanganwa ukuona ring iyi
ndeyepamuchato haambondisiye
zvekudaro dzikama"ndakadaro.

Ndakabva ndabuda kunze kwegate


ndaida kunoona sahwira wangu
Talia.Ndakasvika aripo ndikamuudzawo
nyaya yangu.
"Iwewe wakabhaiza pakubvuma kuenda
kumba kwenyu dai usina kudaro" said
Talia.

"zvino ndoita sei nhai Talia I don't know


why Hakim akaenda SA achindisiya apa
akachinja number" ndakadaro.

"Sahwira ndiwe wega wazvikanyira imba


uchida kuti imba yako idzoke payanga iri
wirirana namai vake"said Talia.

"Kuwirirana nemunhu akandisunga


chibereko here nhai Talia ooh no no
hazviite"
"Inga wani wamboti vakakumbira ruregero
kana uri agnaist mai vake hauwine
hakuna murume anomboda kutukirwa mai
vake ndapedza newe"said Talia.

*Noku*

"Noku naDaisy ndikuda muende kuhuni


honai dzapera"said Mai Gift.

"Ini andisi kuenda kuhuni ndiri kunzwa


musoro" ndakadaro.
"Iniwo makumbo angu ari kunzwa kupera
simba apana kwandoenda"said Daisy.

"Manje apana chikafu chenyu


munozviitisa vana imi"said mai Gift.

"Okay tazvinzwa"said Daisy.

Takabuda tikaenda zvedu kunogara


kugarden naDaisy.Mai Gift vanga vatanga
kuda kuita hutsinye hwavo.Pasina nguva
takaona Mai Gift vauya kugarden
vakatemha maverge.

"Chamunoda kutemha maverge asi


kurimira amude azvina kumbonaka
izvozvo"said Noku.

"Ndokurowa wanzwa nyarara imimi rimirai


ka vana vangu munoda mai vashande
muripo"

"Ini amusi mai vangu hamufe makaita mai


vangu"said Daisy.

"Baba venyu vari kuuya ndoda


uzozvitaura varipo zvauri kutaura izvi"said
mai Gift.

Hatina kuvapindura takabuda tikaenda


kwamai Natty.Takasvika Natty achirutsa
kuseri kwemba.Takashaya kuti chii
arwara here.Mai Natty vanga vachibika
zvavo vachufuraya mazai avo.Vapedza
vakupakura tikaisirwavo chedu tikada
kumboramba asi Mai Natty vakati
musanyare ndiri mai venyu ndiko kudya
kwatakazoita.Natty anga ava kugeza
akauya ari low low akati haasi kuda
mazai.

"Ndabikira iwewe inga ndiwe unosimafira


wani nhasi chii"said mai Natty.

"Anondimisa moyo handisi kumada hangu


ini"

"Kutanga rini kukumisa moyo"vakabvunza


Mai Natty.
"Aaah mama munozonyanya
kubvunzisisa regai ndinorara musoro
wangu ukurwadza apa ndine mazihope
asingaite" akadaro akabva aenda
kunorara zvake.

"Noku naDaisy kuri sei kumba apana chiri


kunetsa here"said mai Natty.Ndakabva
ndatarisana naDaisy akazunguza musoro.

"So far apana chikunetsa mama kana


paine chanetsa tokuudzai regai tiende
tanga tauya kukumhoresai" ndakadaro
"Maita zvakanaka vanangu"

Takabva taenda zvedu kumba tikasvika


mai Gift vachidya sadza nemachunks
akasanganiswa nemaverge.Vaifunga
tichanetsa isu tanga takaguta tadya
kwamai Natty.Manheru takatora mapoto
tikatanga kubika zvekuti mai Gift
vakazoona takutodya avana
kumbopopota.Makuseni takamukira
kuchikoro.

Takasvika kuchikoro tikadzidza


zvakanaka tabuda ndakaona imwe
combi.Makabuda Diva akarova
rastafarian attire.
"Eeh vana mainini vangu muri sei".

"Tiri bhoo hedu"

"Pindai ka mumota tonokusiya kumberi


uko"said Diva.

"Ngatipinde Daisy nhasi ndakanetawo


nekufamba"ndakadaro.Takabva tapinda
mucombi muya manga mune vakomana
vaya.Mucombi macho manga mune kaTV
takatanga kuseka tichiona mafunnies aMr
Bean.
Takapihwa madrink nemabhisvo ko
zvinhu zvekupihwa tingaramba
here.Daisy ndiye akada kumboramba asi
paakaona ndatambira akatora.Takatanga
kudya tichiita nyaya zvedu tichiona
TV.Pakapera movie kuona hezvo kunze
kwasviba.Ko tichasvika tichiti chii kuna
mai Gift.Ras Fidza maKedha
vakatiperekedza kusvika pagate
pedu.Ndaivavenga hangu vakomana ava
vanga vane moyo wakanaka vari
friendly.Takasvika Mai Gift vakagara
mukitchen pavakationa vakapopota
tikapihwa mambama.

"Inguva dzekuuya kumba idzodzi kana


muchifurirana zvisina basa pano
munobva andijaidze mapenzi"said Mai
Gift.

"Sorry tazononoka nenyaya yeku...."


Akabva akatwa Daisy asati apedza
kutaura.

"Lisa akambozviita izvi tarisai kuti


zvakazogumepi dzidzai ndisis venyu imi
mapenzi nxaa"

Ndanga ndatsamwa ndakaenda kunorara


ndisina kudya.Daisy ndiye ega
akadya.Makuseni takamuka kuita basa
rese tikabva taenda
kuchikoro.Takakurumidza kubuda tikaona
combi iya futi.

"Noku ini hangu handichadi kupinda


mucombi umo vakomana avo
handivachanesi hangu"said Daisy.

"Kuvachenesa pakudii Daisy unotyawo


iwewe ini ndikuda kuona macomedy aMr
bean chete" ndakadaro.

"Enda unoona wega ini hangu


andichade"said Daisy.

"Haaa regedza handikunyengereri


inini"ndakadaro.
Ndakaenda kwaiva necombi iya
ndikapinda Diva anga arimo.Akabvunza
kuti Daisy aripi ndakanyepa kuti ari
kurwara amhanya kumba.Ndakaona
Kedha naDiva vabuda vandisiya naRas
ndakabva ndadzikawo kwakubva
ndatanga kufamba kuenda kumba.Ras
akanditevera achimhanya.

"Noku zvauri kufungira azvisizvo


ndikungoda uite shamwari yangu chete"

"Usandiita benzi sei avo vatisiya tega


ukundigaira hora ka manje wadzva"

"Noku aiwa asi kutaura pafair ndokuda


hangu nemoyo wese ndizvo zvandaida
kutaura" said Ras.
"Hezvo zvausina kukwana ndoridii
zidhara rese iri"ndakadaro
ndakufamba.Ndakaona auya kundibata
ruoko ndakamusvipira mate ndikatanga
kumhanya.Ndakasvika kumba Daisy
achipopoterana namai Gift nenyaya
yechikafu.

_drop your comments_


*Watch out for chapter 49*
[2/25, 5:25 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*CHAPTER 49*

*NOKU*

"Iwewe uri kumhanyei ndakati pano


apana huni munoda chikafu chacho
chibikwe nei"said Mai Gift.

"Mai Gift kana musingatide pano garai


mangotaura pane kuita hutsinye
uhwu"said Daisy akuda kuchema.Ndizvo
zvandaisada kuona umwe wangu
achishushikana.

"Daisy don't cry pano pamba pevabereki


vedu mari tinayo handei kumashops
tinotenga chingwa drink iwete kushainirwa
nana kamba ava" ndakadaro ndichibata
daisy ruoko tikatanga kufamba.

Takaenda kumashops takapfeka


mauniforms tikasangana necombi iya
yava kuloader vanhu.Ndakaona Ras fidza
akuuya kwandiri ndakatanga kumhanya
kutiza.Ndakaona Daisy achiteverawo
achimhanya.Takasvika kuzvivharira
muroom medu.Tikadongerera
nepawindow kuti vasvika here tikaona
vasina.
"Ko Noku tell me chii chaitika"said Daisy.

"Rasta vaya vandipfimba ndavaramba


ndikavasvipira mate kumeso vari kuda
kundirova ndosaka ndatiza"ndakadaro.

"Ndanga ndazviona hangu Davie ndiye


auya navo ari kuda tidanane navo ndipe
foni ndifonere sis Lisa vanofana
kuzviziva"said Daisy achibaya baya
kafoni.Akabva afona akaudza sis Lisa
zvese.

Takataura navo kwenguva


yakareba.Takabuda tikatora mapoto
tikaisa mvura pamoto yekubika sadza mai
Gift vanga vabuda.Vakadzoka takubika
muriwo vakatora poto yesadza vakada
kuenda nayo mumba.Vakabatwa naDaisy
vakatanga kutukana kusvikira
vakurovana.Ndakabva ndapindira
tikavarova ivo Mai Gift kamwana kavo
kanga kakuchema atina kumboita care
nako.Takavatsika kwete zvekutamba
vakagumisira vatizira mumba
vakanozvivharira imomo.Isu takasara
tichizviputisa nechikafu
tikarara.Mangwana makuseni naDaisy
hatina kuenda kuchikoro takamukira
kuhuni.Mai Gift vakafunga kuti taenda
kuchikoro nekuti time dzatakamuka vanga
vachakarara.Takasvika kumba mai Gift
vatomuka vakazvimba kumeso.Takatanga
kuseka pavakationa vakabva vapinda
mumba.

Takagara panze tichitaura


nyaya.Tichipinda mumba tichida kubika
tea kuona hezvo chikafu chese
hapasisina.Ndakaziva kuti ndiMai Gift
vachitora vakanochikiyira mubedroom
mavo.

"Vana imimi mune shuwa kundirova


manje chikafu changu apana anobata
munozviita makangwara"said mai Gift.
"Ndizvo zvamakangwarira izvozvo dai
muri mumwe mawirirana nesu mukaita
agnaist isu matogumbura daddy vedu
futi"said Daisy.

"Mahure vana vasina hunhu apa Potse


ndipo pakatambisa mbeu yake"said Mai
Gift.

"Kungobvisirwa 300bond nekambudzi


kanofamba kachidya mapamper munzira
wakutoti mahure kunesu tisina
kuroorwa.Ukawana nguva utikwanire
Tracy" ndakadaro.Daisy akatanga
kuseka.Pafoni paMai Gift pakapinda call
vanga vari baba vaifona.Vakaudzwa kuti
tiri kunetsa ndakanzwa baba vati vari
kuuya mangwana vakabata mari
yakawanda.

Takaenda kugarden kwedu


tikadiridza.Ava masikati tane nzara
takaenda kumba tichida kutora mari
tinotenga chekudya kudai mari
haichawanike.Takatsvaga tasvaga
tikaishaya apa nzara yanga
yazotikuvadza manje.Takabvunza Mai
Gift vakatituka tikada kuvanyengerera
vatipewo chikafu asi takatukwa kunzi
mahure.Ndakaenda muroom mangu
ndikatanga kuchema.Ko sis Lisa
vakatisiireiwo vakadii kuenda nesu.Daisy
anga akagara pabed akabata shaya
aingoyeredza musodzi.
"Daisy ndasuwa mhamha ini"

"Atleast wakatombowana rudo rwavo ini


andina zvondirwadza"said Daisy.

"Andina kumbowana rudo kwenguva


yakareba ini dai sis Lisa vauya kutitorawo
zvapano ndazvitadza"ndakadaro.

"Shuwa ndavasuwa sis Lisa apa foni


yacho handichaioni pairi"said Daisy.

"Wati hauchaoni pane foni haaa Daisy are


you joking" ndakabvunza

"Ndiri kureva chokwadi ndakaisiya pasi


pepillow izvozvi andichaioni"said Daisy
Takatangidza futi kuitsvaga atina
kuiwana.Kwanga kwakusviba nzara yava
kuti bvunza mutupo.Tanga tava low low
takangogara panze tichiti zvimwe
vachatinzwirawo tsitsi mai Gift asi havana
vakabika chikafu chavo vakadya
vega.Ndakatanga kuchema zvanga
zvazondikurira manje nemadiro andinoita
kudya.

"Remember sis Lisa vakasiya vati


chanetsa ngatiudze Mai Natty handei
tinovaudza vanotipa chikafu"said Daist
Takaenda kumba kwaMai Natty tikasvika
kune nyaya yainetsa ikoko.Vainetsana
naNatty hanzi ane nhumbu here.

"Natty une nhumbu ka iwewe"

"Nhumbu inobvepi handisati ndamborara


nemkomana ini" said Natty.

"Saka ini ndava benzi ndikutadza kuona"

"Amboti muri benzi ndiani mhamha ndimi


makuzvituka mega"said Natty.

Iye Natty wacho ngaasimbe inenge


yavapo chete apa.Nekungwarisa
kwaNatty akatovhurira Dean gumbo
chete.Mai nemwana zvakanetsana
kwenguva yakareba isu taiva zii.

"Huya kuno ndoda kukutarisa"said Mai


Natty vabata Natty ruoko.Natty wacho
akaramba kufamba.

"Wakamirirei ndati nditevere"

"Mama zvakubhowa zvamava kuita


izvi"said Natty.

"Natasha kahunhu aka wakakaona kupi


ndikuzviziva kuti waane nhumbu ndeyani
une shuwa Natty ndopona here nababa
vako" vakadaro Mai Natty vabata musoro.
"Mhamha kani ndati handina nhumbu ini
kana muchiti ndonyepa mangwana
makuseni toenda kuchipatara"said Natty.

Mai Natty havana kuzoita nharo.Natty


akabva apedzisa kubika kwaanga
achiita.Mai Natty vakabva vangobuda
ndakaona vanga vagumbuka
chaizvo.Natty akapedza kubika
akatipakurira chikafu tikadya tichiita nyaya
naye.Atina kuwana nguva yekutaura
namai Natty sezvo murume wavo anga
auya.Takasvika nekurara makuseni
takuda kuenda kuchikoro tikaona
mauniforms hatichamaoni.Takademba
nechakatarovera mai Gift.
"Mai Gift tokumbirawo mutiregerere pane
zvatakaitai,tokumbirawo mauniforms
edu"said Daisy.

"Ma uniforms enyu andisini ndakatora


musandibhowa makatotengesa
mauniforms enyu munoti andisi kuzviziva
here manje baba venyu vari kuuya nhasi
ndiri kuvaudza zvese"said Mai Gift.

"Hatina kumbotengesa isu asi zvamunoita


zvakashata mai imimi Mwari ave nemi"
ndakadaro maziso ajenga misodzi.

Zvekuramba tichienda kwamai Natty


takaona kunga tava kuvanetsa.Atina
kumboendako takanoswera
kugarden.Tichidya mango
naDaisy.Takaenda kugarden kwaMai
Matemba tikatanga kudya macarrots
tikasiya tadiridza.

Patakaenda kumba takasvika baba


vavapo.Vakagara zvavo mudinning
zvavanga vauya nazvo zvakazara
patable.Zvanga zvakawanda matoys
aGift.Takavamhoresa vakaramba
vakanyarara zvavo tikagara
pasofa.Ndakaona mai Gift vavhara door
baba vakabudisa chamboko chavo
chiya.Ndakaziva kuti apasisina kumira
mushe.
"Makarova mkadzi wangu ka
makakaonepi kahunhu aka iwewe Daisy
wakauya pano nehunhu hwekwamai
Matemba pano kuti zvidii"said baba.

"Baba isu apana chatakatadza ndivo


vakatanga kurova Daisy uyu ndipo
pandakapindirawo" ndakadaro.

"Hamusi kurohwa manje nhasi ndoda


kumboswatudzai muzoziva kuti vanhu
vakuru havarohwi"said baba.

Takarohwa imi tikada kutiza mai Gift


vaibata.Musi uyu takarohwa baba vanga
vakatsamwa apana akatinzwira tsitsi.

"Mava kutoita zvevakomana ko foni


makaiwana kupi ko kuzotengesa
mauniforms nhasi munondiona" vakadaro
baba.Takaedza kuvatsanangurira asi
havana kuzviterera.Takarohwa kusvika
vaneta door rakavhurwa tikabuda
tichimhanya tikanogara
kugarden.Takasvika kuchema tiri ikoko
kusvika kusvibe apa nzara yanga
yakutibvunza mutupo.Takanotemha
mango tikatanga kudya.Kugara pamba
pausingadiwe zvonetsa baba vacho
havatidi.Takabva tangomborereka nzira
natwin wangu.Takasvika kugara parimwe
dombo kwanga kwasviba.
"Noku ndivo baba vedu chaivo here ava"
akabvunza Daisy.

"Ehe ndivo Daisy havana care nesu


kubva kare sis Lisa chaivo vaiitirwa
hutsinye futi ini ndatobva pamba pavo
zviri nani ndiite rombe ndichizvifarira
hangu, ndichirarama pane kuswera
kutambudzwa"ndakadaro.

"Vane hutsinye baba vedu ava ini


andichadzoki ikoko zviri nani ndirarame
ndichingombeya mbeya nesango nekuti
apana anotida"said Daisy.

"Taura hako even sis Lisa havatide ndivo


vakatimanikidza kugara pamba
pababa,vakadii kutisiya tiri pavo zvanga
zvakashatei" ndakadaro.

"Nhai hako dai vakaenda nesu manje


panyika pano apana anotida mwana
wamai vedu Lisa chaiye haana basa
nesu"said Daisy.

Takatanga kufamba tikasvika parimwe


farm tikaona kunga panga pane church
here.Takaenda ipapo tikaona vanhu
vaiimba vachitamba yanga iri Zion.Vanhu
vakatanga kupihwa maheu
tikapihwavo.Takanwa tikabva apa
tikaenda kunorara paveranda pekamwe
kashop.Takazomuka makuseni tikatanga
kufamba tichitevedza road taisamboziva
kuti tiri kupi.

"Noku ko tiri kumboendepi"akabvunza


Daisy.

"Andisi kuziva ndaida kubvunzawo iwewe


inini"

"Aaah unopenga mupfana"said Daisy.

"Ndava mupfana wako manje ini"


Takatanga kuwanzirana takasvika
parimwe purazi hombe rairimwa
mapotatoes.Takasvika tikaona vakuru
vepo taida chikafu nemvura.

"Vasikana mauya kutsvaga basa


munorigona here basa racho manyanya
kuita vadiki mozogona kutakura masagi
emapotatos here"akadaro umwe murume
anga ane mhanza airatidza kuti ndiye
muridzi wepurazi iri.

"Ehe togona as long matipa pekugara


nechikafu"said Daisy.Apa ini ndaisada
zvekushanda apa zvaisaita ndipikise
Daisy ndakaramba ndiri zii.Pakabva
pauya umwe mkadzi wechikuru airatidza
kuti mkadzi wemurume wemhanza uyu.

"Baba Maka vasikana ava mavapinza


basa here"

"Ehe manga mati chii mai mwana"

"Vana vadiki ava hauzvioni here"said Mai


Maka.

"Vakura ava anombozviona kuti vadiki


ndiani wakuda kundidzosera kumashure
manje"

"Basa riripo havangarigoni baba Maka dai


wati vaiita mamaids edu ndivo vanosara
vakachengeta pano patinomboenda out
pakadii"said Mai Maka.

"Kuchengeta pano ko tikabirwa"

Vakabuda vese vakaita kanguva


vakazodzoka.Zvikanzi tazviona kuti muri
matwins asi muchaita mamaids pano.

"Tine vana vaviri Makanaka naMikel vari


kuBotswana kuchikoro vachadzoka
zvavo"said Mai Maka.

Vakatiratidza imba yese zvatanga taita


lucky.Mazuva akafamba tikatanga
kushanda pamba apa zvinhu
zvaiendeka.Hembe takapihwa dzebasa
dzanga dzakakura ndofunga vaitya totora
murume wavo here ameno.Maboss vanga
vasina hutsinye asi Mai Maka vaitifarira
rimwe zuva vakazobvunza nezvelife
yedu.Atina kuda kuvaudza chokwadi
takangoti takafirwa nevabereki tanga
tisina kwekugara.

_drop your comments_


*Watch out for chapter 50*
[2/25, 5:25 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*CHAPTER 50*

*LISA*

Davie andifunge ndichawana moyo


wekumuregerera.Ndikamuona ndaida
kupedzerana naye haangambotori
zvidhakwa zvake kuti zvinopfimba
vapfana vangu.Daisy akandiudza pafoni
ndakavatsiura hangu kuti
musambovasekerera kana kutaura
navo.Takataura kwenguva yakareba
nevapfana vangu ndanga
ndavasuwa.Foni yakazokata ana 2 vanga
vakuchema ndofunga yanga yava nzara.

"Asi mhamha zviri kuita Davie zvakashata


" ndakadaro ndichiyamwisa vana vangu.

"Ko aita sei Davie"

"Ari kuziva ndiri kuno akutora


mazishamwari ake kuti vanopfimba Noku
naDaisy ndakutya vanogona
kunyengerwa vakabvuma apana chavati
vakuziva matwins aya" ndakadaro.
"Yohwee Davie ndoshaya chii
chakamugara anoda munamato
wakasimba"

"Anozviitisa uyo pavana vamai vangu


topedzerana andide hangu" ndakadaro.

Manheru ndakabika chikafu chedu ndipo


pakasvika Lean.Lean akasvika kumira
padoor repakitchen akanditarisa.

"Ko maiguru kuzonditarisa kudaro


kwakanaka here" ndakadaro
ndichinyemwerera.

"Lisa ukuda kutora murume wangu ka


usatombondisekerera hako unoti handisi
kuzviziva kuti muri 2 namai Matemba
ndimi makaita Hakim andifuratire
asanditevera kumba kwedu"said Lean
akanditarisa.Lean anga achinja ,munhu
anga ari munhu kwaye aku behaver
kunga dovi kudaro.

"Handide murume wenyu maiguru ,Mai


Matemba dai mavasiya vaitova kuside
renyu futi Hakim paiiti
akatsamwa"ndakadaro

"Usada kundivhara ndakagara ndazviona


kare kuti unoda murume wangu manje
ndadzoka pamba pangu"said Lean.
"Maiguru chiii chiri kumboitika kwamuri
machinja shuwa amusisiri wandoziva"

"Maindiona kunyarara mofunga


ndakapusa uri kuona ring iri here
ndakachata iwe namai Matemba
hamukwanise kutipesanisa nemurume
wangu"said Lean.

"Ndazvinzwa hangu maiguru asi dai


mandinzwavo andide murume wenyu
kana musingandide pano ndobva hangu
hapana chakaipa"ndakadaro ndanga
ndisisina mufaro.Zvanga zvakuita kunga
ndini ndiri kuparadza imba yaLean.Hakim
andina kana mafeelings naye.
"Lisa ndaikuda nemoyo wese asi
wakatadza kumirawo neni wakaenda side
remunhu akanditadzira pedzozvo
ndakunzwa guhwa rekuti unoda Hakim
zvingani zvandakakubatsira Lisa"said
Lean.

Ndakabuda mukitchen ndisina


kumupindura ndaida kubva pamba pacho
osara.Zita rangu ndiro rakusviba kunzi
ndakutora murume wemunhu.Mai
Matemba vakasvika ndiri kurongedza
hembe mubag.
"Ko zvadiii wafungepi Mai 2"

"Ndanzi ndibve pano ndiri kutora murume


waLean ndizvo zvaataura"ndakadaro
ndakuda kuchema.

"No no ndiye angatobva pano not you


aripi Lean wacho" vakabvunza Mai
Matemba.

"Ari mukitchen mhamha zvandibhowa


achinja zvaava kuita azvinakidze"

Takaenda mukitchen tikamusvikira


achidya hake chikafu chandanga
ndabika.Akaita kuzadza plate
chikafu.Ndakashamisika kuti chikafu chiri
kuda kudyiwa nemunhu one ichocho.

"Ndiwe wati Lisa abve pano here akati ari


kutora murume wako ndiani" vakabvunza
mai Matemba vakarova serious.

"Pano pamba pangu ndini mai vepano


ndoita zvandada uyu Lisa ane dzungu
handimude pedyo nemurume wangu"said
Lean.

"Muroora wangu Lean inga wanga une


moyo wakanaka chii chikuitika pauri Lisa
uyu ari kungoda kudzidza malessons ake
akapedza anobva haasi kugara pano
zveupenyu hwese"said mama.
"Imimi mhamha magara moda Lisa
muchati chiii ndangoti Lisa andide
kumuona pedyo nemurume wangu
anoonerwa haabatsirike"said Lean.

"Iwewe hauna simba rekumudzinga pano


,Hakim ndiye anomudzinga kana ini
ndichinge ndazvibvuma futi andide
zvenoise newe please"said mama vanga
vatsamwa.

"Noise yei dai madzikama


zvamakandiroya ndakamboti chii hee
izvozvi mafuratidza murume wangu" said
Lean achipinduridza tumaziso kunga
rwavhi.
"Iwe Lean wakufarisa manje usaita kunga
ndiwe watanga kutadzirwa panyika pano
ndak......" andina kupedza kutaura
ndapihwa mbama
naLean.Ndakamudzorera zvekujairirwa
ndanga ndisingachazvide
takaumburudzana mukitchen imomo
mama ndivo vakabata.Lean akatora
kabag kake akabuda akaita kutsamwa.

Ndanga ndafunga zvekutobva pamba apa


ndiende hangu kunogara
kumusha.Mhamha ndivo
vakazondidzikamisa.
Lean akazodzoka ava manheru apana
akataura naye.Akarara pasofa asina
gumbezi marooms anga akakiyiwa.Mama
ndivo vakasiirwa makeys acho dai Lean
ari munhu kwaye aipihwa zvino
andiratidza chidovi dovi chake.Makuseni
ndakashamisika kuona Diva achisvika
pamba akapfeka hembe dzechirasta.

"Iyazve Lean akadzoka rini ko


kusandiudzawo"akabvunza Diva.Apana
akamudaira munhu wese akaramba ari
zii.

"Ko Lisa dama rakazvimba nei chiii


chikuitika pano amusi kuda kutaura here"
"Ndakakarova kaLisa kako kane dzungu
kanoda kupindira pekasingakwane"said
Lean.

"Kurova Lisa ooh no no saka ndizvo


zvamakatenderana naHakim kuti
mozorova Lisa here mhamha"

Andina kuda kumbotaura ndakaramba


ndiri zii.Ndaida kutomutuka Diva ndanga
ndatomuvenga nenyaya yekuda
kutengesa vapfana vangu.Ndakazoona
vakutukana naDiva.Lean akabatwa
akanokandwa kunze kwegate naDiva.
"Lean handimude pano"said Diva.

"Pamba pako here zvaunotaura


izvozvo"ndakabvunza

"Lisa wakatsamwei mudiwa wangu"said


Diva.Ndakaona kuti anga akatodhakwa
ainhuhwa doro.

"Siyana neni iwe mhani nyarawo mai


vako wakamboita sei wapinda hauna
kana kumbomhoresa mai vako"

"Oooh shem ndanga ndisina kutozviona


muri sei muchembere"said Diva.
"Davie chimbogara pasi mwanangu
ndoda kumbotaura newe"said Mai
Matemba.

Diva akagara pasi mai vake vakatanga


kutaura naye asi vakaona kuti vaitaura
vega munhu wacho apana
zvaimbonzwa.Ndakaona asimuka
kunotakura Tashia kanga kakarara
pasofa.Kakabva kamuka kakabva
katanga kusekerera.Tashia kanopenga
chete ndoshaya kanosekei
ipapa.Ndofunga kanga kakanyepedzera
kurara chete.
Mazuva akafamba takazongonzwa guhwa
rekuti Lean akatevera Hakim
SA.Ndakabvunza Dean kuti Lean
akasvika here zvikanzi haasati
asvika.Ndipo pakapinda shoko
rekushaikwa kwevana vamai vangu
kumusha.Ndakasiya vana namai
Matemba ndikatora mota
yavo.Ndakaenda kumusha ndikasvika
pamba pababa vangu varipo baba
nekamkadzi kavo.Ndakapinda muroom
mana Noku asi handina kuvaona.

"Ko Noku naDaisy varipi".

"Hatisi kuzivawo tane mazuva


tichivashaya ndaifunga kuti wakavatora
ini"said baba.

"Baba mundikwanire ndati vana vamai


vangu varipi handibve pano musina
kundiudza" ndakadaro ndakuchema.

"Iwe Lisa ndati handizive moyo wangu uri


kutorwadzawo kuti varipi ndaifunga
vakauya kwauri kugara"said baba.

"Chii chakaitika zuva racho


ramavakashaya"ndakabvunza.

"Vana ava vakarova mkadzi wangu


vakatengesa mauniforms ekuchikoro plus
vaisasvika futi kuchikoro ndakavarova
ameno kuti pavakabva pano vakaendepi"

"No no makarova vana vamai vangu ,Mai


Gift vanonyepa ava vanogona varivo
vakatora mauniforms evapfana ava,ko
zvekuti havasvike kuchikoro makaudzwa
nemateachers acho here"

"Zvese izvi ndakazviudzwa namai Gift


hakusi kunetsa vana ava vanga
vakunetsa"said baba.

"Ndakazviona kare baba kuti amuna rudo


nesu vana venyu Noku naDaisy
ndikavashaya mirai muone kunyarara
azvirevi ndakapusa, iwewe Tracy pano
unopatama chete" ndakadaro ndakaita
kumunongedza nefoni yangu.

"Lisa ndinokurova ukadzikama wanzwa


leave my wife alone ,vana vaLister muri
mahure munondipa BP hazvishamisi
kutonzwa kuti Daisy naNoku vakatotizira
ndinotoshaya kuti Lister akasiya aita sei
vana vake kuti vashaye hunhu"said
baba.Ndakapinda mumota ndikaenda
kwamai Natty ndikasvika varipo.

"hesi kani mwanangu"said Mai Natty.

"Muri sei moms"


"Haaa handisi bhoo umwe wako
akandirwadzisa tanga taronga
kumuendesa kucourse munhu atova
nemimba hake"said mama.

"Umwe wangu upi"

"Natasha ane pamuviri akaramba kuti


tiende kuchipatara asi ndakazviona
hangu kuti azvitakura ndakarwadziwa
pamoyo chaipo Natty ndaida aroorwevo
zvakanaka manje andinyadzisa"said mai
Natty.

"Nhumbu yacho hanzi ndeyani"


"Dean ini Mai Matemba vandirwadzisa
ndaifunga vachinja obvious irevenge
yavakaita kwandiri iyi chete apa Dean
wacho ari kunzi akatiza kuenda SA"
vakadaro Mai Natty vachiratidza
kurwadziwa.

"Mama panyaya iyi dai mabvisa Mai


Matemba apana chavari kutoziva
handifunge vanotoziva kudanana
kwaNatty naDean uyu Dean haana kutiza
asi akaenda kuchikoro"

Natty wacho ainzi akaenda kunogara


kumba kwamai Matemba.Mai Natty
ndakavaudzawo nyaya yangu yematwins
ari kushaikwa aya.Vakatoti vava nenguva
vasiri kuvaona vaifunga ndakauya
kuvatora.Ndakaenda pamai Matemba
ndikasvika Natty achidya zvake.Akafara
kundiona.

"Ko besty ko makazoitawo sei


futi"ndakabvunza.

"Haaa zvakandikurirawo besty iiiih


handisisina foni ko Dean ariko here
kutown ndamusuwa"said Natty.

"Iyazve asi haana kusiya ataura kuti


akuenda kuchikoro kuSA"

"Akandiudza ndaifunga ari kujoka ini


aaaah zvino ndodiii"said Natty akuchema.

Ndakafonera Dean wacho akadaira


ndikapa Natty wacho paakataura zvekuti
ava nenhumbu ndakanzwa Dean
akukakama.....

_drop your comments_

*Watch out for chapter 51*


[2/25, 5:26 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

Follow this link to join my WhatsApp


group:
https://chat.whatsapp.com/JzaGJR7WW8
GCXY0jiw43IT

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 51*

*LiSA*

"Saka uri kuramba here Dean"said Natty


akuyeredza misodzi.

"Natty andina kuramba asi ndanga


ndisina kuzvitarisira handisati ndava
ready kuva a father"said Dean.
"Ndosaka ndairamba kurara newe,
ndakuzviona waisandida Dean waida
kungorara neni chete" said Natty.

"Aiwa Natasha ndokuda nemoyo wese


ndangotambira zviripo
ndichatomboshanda ndichibaya kufazh
zvingaite nani"said Dean.Vakataura
kwenguva yakareba zvikanzi ndiende
naye kutown kuna mama.Atleast zvanga
zviri nani Dean haana kuzoramba mimba
yake.Natty akaisa kabag kake mumota
akashamisika kuona kuti ndakudriver.Ini
ndaiva nestress yevapfana
vangu.Ndakaudzawo Natty nenyaya
yekushaikwa kwevapfana vangu akati ava
nenguva asiri kuvaona.Ndakamutsa mota
ndikaenda kumba kwababa vangu
ndanga ndine hasha dzakanyanyisa.Natty
akasara akagara mumota.

"Hamusi kutoitawo effort yekutsvagawo


vana asi baba chimbori chii" ndakadaro.

"Unoda nditsvage vanhu vakatizira here"

"Baba kubva pakafa mhamha makabva


machinja amuna kubvira maita care nesu
vana venyu apa Daisy mava kumuitirawo
hutsinye panzvimbo yekumupa rudo
rwamusina kubvira mamupa"ndakadaro.

"Lisa apana chakachinja asi hunhu


hwenyu ndihwo hunondibhowa munoda
ndisekerere chihure chenyu here ndinopa
iwewe mhosva wakatadza kuzvibata hona
vana vakutedzera hunhu hwako manje
pamusha pangu handigare nemahure
Lister ameno akakuzvarai sei
munonetsa"said Baba.

"Baba makaroodza vapfana vangu haaaa


manje ndikuenda kumapurisa izvozvi
chero mukafira mujeri I dont care hamuna
kana rudo rwatinombowana kwamuri"
ndakadaro ndatsamwa.

"Lisa ziva ndibaba vako ava zvemapurisa


zvapinda papi, Daisy naNoku vagara
vaiwanza zvevakomana pamwe vakatizira
usatipumha mhosva yekuti
takavaroodza"said Mai Gift.
"Tracy itonyarara hako wakwana papi hee
munondiona kunyarara mofunga nda..."
ndakaona ndapihwa mbama namudhara
vangu.Ndakatanga kubudisa musodzi
ndakavatarisa.

"Manje mukandirova pano andisi kuzobva


musina kundiudza kwamakaisa vapfana
vangu" ndakadaro.

Baba vakanotora chamboko chavo


vakauya nacho.Andina kumbotiza
ndakaramba ndakamira vakuda kundirova
vakamiswa naMai Gift.Natty akauya
kunditora ndikanogara
mumota.Ndakachema ndirimo
mumota.Natty akapinda busy
kundinyaradza ndakatanga kufunga vana
vangu vandasiya kuti havasi kunetsa
here.Dai vainetsa mai matemba vangadai
vafona.Ndakaenda kumba kwamai
Matemba ndikashamisika kuvaona vari
pamba ndakashaya kuti vasvika
nguvai.Twana 2 twanga twakarara
pasofa.

"Ko mhamha mauya nguvai mauya nei


ndirini ndine mota yenyu"ndakabvunza
ndakavhura ziso.

"Lisa vana vako vanga vakunetsa


vaichema foni yako yairamba saka
ndazongotevera nemalift aya"said
mama.Ndakatora foni yangu ndikaona
hezvo yanga yatodzima.Ndofunga
yadzima patime dzapedza Natty kutaura
naDean.

"Ko Natty zvaanenge akazvitakura asi


ndiri kutadza kuona here"said
mama.Natty akabva anditarisa achibva
atarisa pasi.Ndakaramba ndakanyarara
andina kupindura ndanga ndakuyamwisa
ana 2.

"Natasha hakusati kwasviba here


hautukwe namai vako here kumba"said
Mai Matemba.Natty haana kupindura
akatanga kusvimha musodzi akatarisa
pasi.

"Mhamha sorry I know hamundide asi


musandidzingawo please ndine nhumbu
yaDean"said Natty.

"Hezvoo ukati haupengi iwewe Dean


yohwee nhai Mwari wangu"vakadaro
vavhura maziso kunga vadzipwa
nemadhumbe.

"Ehe mhamha ichokwadi bvunzai kana


Lisa anozviziva, zvakaitika tisina
kuzvitarisira"said Natty.

"Natty zvino ndichatarisana namai vako


sei apa maita zvandigumbura naDean
wako ko iwewe chii chaiwavhurira
makumbo unoti Dean anei uyo haana
nechiro yohwee inga zvakaoma"
vakadaro Mai Matemba vakasimuka
kuenda kuroom kwavo.Nyaya
yakanyanya kuvarwadza ndeyekuti
vachatarisana sei namai
Natty.Ndakabuda ndikanotsvaga vapfana
vangu mumaraini ndaifamba
ndichibvunza asi apana akati
akavaona.Ndakadzoka kumba ndikasvika
Natty namama vachitaura nyaya.Vanga
vakupindirana ini pfungwa dzaiva
kure.Chikafu andina kudya ndaifunga kuti
vana vamai vangu vari kudyei kwavari
ikoko.Ndakabuda ndikanogara paveranda
ndikatanga kuchema ndakagara
ipapo.Natty akauya kundinyaradza asi
ndaisada munhu pedyo neni.Ndaida
nguva yangu ndega.Natty akanotora
mama kuti vauye kundinyaradza.

"Mai2 I know nyaya yana 2 iri kukurwadza


mangwana kuseni ngatiende kunotaura
kumapurisa ndokupedza zvese"said
mama.

"I wish mama vangu vari vapenyu


vapfana vangu varipo zvino ndoziva kuti
varipi vapenyu here yohwee Mwari
mandirasirei inga ndokunamatai wani
ndozvituka ndini ndakaita error ndakati
vanogara naMai Gift" ndakadaro ndiri
kuchema.
"Lisa usasacheme please be strong for
your kids, vapenyu tichavana chete nezita
raJesu"

Vakandinyaradza vachindisimbisa
nemashoko anovaka chaivo.Ndakavati
ndiri kudzoka ndakaenda kumba kwababa
ndikasvika kugara panze pasi pemuti
ndakabata shaya ndichiti pamwe
ndichangoona vapfana vangu
varipo.Tracy akabuda mumba akandiona
ndakagara pasi pemuti akatiza.
"Yohweeee mai Lisa"said Tracy achitizira
kupinda mumba.

"Mai Lisa vadiii chiii iwe Tracy"


vakabvunza baba.

"Ndaona mai Lisa panze apo hiiii


ndakutya ini"

Baba vakabuda vakandiona vakasvika


vachindiitira hasha.Vakandipa mbama
ndikawira pasi hanzi uri kudei pano
wauya kuvhunditsira mkadzi
wangu.Ndakasimuka ndakuchema
tikanzwa mhepo yakasimba yakatanga
kurova panguva iyi.

Mhepo yakaramba ichirova baba


vakamhanya kupinda mumba.Ndikanzwa
mhere mumba Tracy akabuda ari mufull
speed kutiza ndakashaya kuti
aitizei.Ndakapinda mumba ndikaona baba
vakapfugama vachiita kunga pane
chavaiona.

"Lister andisini ndakakuuraya please


enda unonetsana neakakuraya"said
baba.Ndakatarisa pavanga vakatarisa
apana chandakaona.Chaingonzwikwa
kuchema kwaGift chete.Ndakaona baba
vadonha pasi ndiye ziii.Ndakashaya kuti
chii chaitora nzvimbo apa.Ndakadira baba
mvura vakabva vamuka vakabva vabuda
vari bara.Hana yangu yanga yakurova
zvakanyanya panguva iyi.Ndakuda
kubuda door rikabva
ravharika.Ndakarivhura ndikatanga kutiza
ndakananga kumba.Gift akasara
achichema ega.Ndakasangana namai Gift
vaine vanhu vakawanda vakabatidza
malight vachienda kumba.Andina kuda
kudzokera ndanga ndakutya.Ndakasvika
ndichiudza Mai Matemba drama raitika
vakashamisika nazvo.

Makuseni ndakaenda kumapurisa


ndakaona pamba pababa pakazara
vanhu.Ndakaenda nepo ndichida kuona
chaitora nzvimbo ndakaona hezvo Mai
Gift vanga vakazvimba kumeso
vakasungwa makumbo nemaoko vaiseka
vachitaura vega.Ndofunga ndokupenga
kwavava kuita.Baba vanga vasipo
vaitonzi havasi kuzivikanwa kwavari
kubva pavakatiza.

Ndakaenderera mberi nerwendo rwangu


ndikanotaura nyaya yangu.Mapurisa acho
akaenda pamba pababa vachida kutaura
namai Gift nababa nekushaikwa
kwematwins.

"Ko vanasikana vaigara pano vakaendepi


mother" said police 1.

"Unenge waenda kumuchato wonzwa


zvonzi chikafu chikudyiwa neAlphabetical
order apa uchinzi Zivanai Zuze"said Mai
Gift vakabva vabvaruka nekuseka.

"Amai atisi kuita zvekuseka pano pindurai


zvatabvunza"said police 2.

"Hanzi adzipwa nemadhumbe


hehehehede zvakaoma"said Mai Gift.

Zvanga zvakuita Mai Gift so


ndakambofunga kuti vari kuzviitisa asi
ndakaona kuti pfungwa dzanga ndavasiya
vega ameno dzanga dzaendepi.Mai
Munya vepanext door ndivo
vakazobvunzwa nemapurisa kuti vane
ruzivo nekushaikwa kwematwins
here.Vakangoti ndakagumisira kuvaona
musi wava rohwa nababa vacho ameno
vakazoendepi nekuti anga ava manheru.

Mazuva akafamba nyaya yekutsvagwa


kwana Noku yainderera mberi.Mai Gift
vanga vava kutopenga vava kutenderera
zvazvo vakazvisungira mazihembe
akasviba.Gift akatorwa natete hanzvadzi
yababa.Tete vangu ndakavaudza zvaiitika
zvese vakarwadziwa vakati ndaisafungira
kuti ndozvavari baba venyu.Hanzi
ndaifunga pakambondiudza Noku
nezvazvo ainyepa.Tete havana
kumbogara vakadzokera kumba kwavo
naGift asi vakati ndizouya kuvaona
tizotaura takagara pasi pasina kumhanya
mhanya.

Kushaikwa kwana Noku kwakaita kuti


ndidzikire even pakuverenga
chaipo.Ndakaona Tracy akapfeka
mazirengenya achipfuura pedyo nepamba
pamai matemba.Paakandiona akabva
amira akanditarisa kutodzikamawo.

"Lister Lister Lister" vakadaro vakurova


bara kudzoka kwavabva paimhanyiwa
kani.Baba kana kumbonzwa nezvavo
ndanga ndava worried kuti vari safe here
kwavari ikoko.

Hakim akafonawo achiti Lean ari kuno asi


vaisapindirana zvachose.Lean akanzi ari
kugara kumba kwefriend yake.Mai
Matemba vakati regererewo umwe wako
asi Hakim akati haasi kuda kuzvinzwa.

Mazuva akafamba ndanga ndava pedyo


nekunyora vapfana vangu vasati
vawanikwa.Ndipo pandakanzwa naDean
achiti Lean akazvitakura asi Hakim ari kuti
haisi nhumbu yake.Zvapanga pakaipa
nhai asi mama vakati painozvarwa moita
maDNA nekuti Lean paakabva pamba
hapana anoziva kuti aizvifambisa
sei.Vanhu vaifungira kuti pamwe haisi
nhumbu yaHakim.

Ndakatanga kunyora maexmas angu


kusvika pakupedza ana Noku vasati
vawanikwa even baba vasiri kuzivikanwa
kuti varipi.Tracy taingomuona muvillage
umu asi akasangana neni aitiza kunonzi
kumhanya chaiko.Natty mimba yake
yanga yakuoneka ndakafara vaiwirirana
namama.Mai Natty naMai Matemba
havana kuzobvira vataura vese kubvira
pakatizira Natty.Mai Matemba vakamirira
kuti Dean adzoke sezvo anga akuita
achishanda.Vaida kuti auye abvisire
paanapo kugadzira ukama nguva iripo.

_Potse aripi mupenyu here_

_ko chii chakanyatsoitika kuti Tracy


apenge_

*Watch out for chapter 52*


[2/25, 5:26 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/JzaGJR7WW8
GCXY0jiw43IT

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*CHAPTER 52*

*DIVA*

Ndakatogara pamba pangu magetsi anga


apera apa ndisina kana cent.Ndaishaya
ndotangira papi apa chikafu mumba
changa chapera.Chero mari yekutenga
madrugs acho ndaiva ndisina.Ndaitopona
nekuenda muzvikona muri kurova vamwe
chamba.Kedha naRas Fidza vakatiza
vaba mari yemuridzi wekombi.Nyaya
yacho yaiva kumapurisa vaitova
pawanted.Mukavaonawo muende
papolice station iri pedyo
monotaura.Ndakatanga kufunga hupenyu
hwangu kuti ndichazovei mangwana ko
vana vangu vakakura vasingawane rudo
rwangu andifunge
vangazondifarira.Nefoni ndanga ndimbori
nayo here.Basa ndakaedza kutsvaga asi
ndakashaya ndakagumisira ndazvisiyawo
zvakadaro.

Lisa ndakaona anga asisina nebasa neni


zvinova zvaindirwadza.Kungoti usina mari
apana anokuda kana kufarira.Dai Hakim
aindidawo akanditorawo nditori SA
zvaanoti handisati ndambotengera vana
chinhu mari ndoiwanepi.Ndakatora
kaDVD kangu ndikaenda kunokatengesa
zvangu.Ndakawanawo kamari kari
nani.Ndikati regai ndimbozvitsvagira
kafoni kambudzi.Ndakawana kanga kari
nani ndakuda kucrosser road ndakapotsa
ndatsikwa.Ndakaona mota yacho yamira
yaiva nenumber plate
dzeBotswana.Ndakashamisika kuona ari
Mikel aibuda mumota.Mikel ndakadzidza
naye kuhigh school taiwirirana
takazopesana iye paazotransfer achienda
kunodzidza kuChivhu.

Mikel akaburuka akaramba akanditarisa


zvekundifananidza ndakafunga kuti
andikanwa.Iye skin rake waitoona wega
kuti vakuzvidyira mari dzake.Mikel kungoti
vabereki vake vagara vane bag vane
purazi rinotengeswa mapotatos.

"King Diva ndiwe nhai Mwari Diva ndiwe


here"said Mikel achifamba kuuya
kwandiri.

"Hauchandizive here Mikel"

"Hiiii ndafara shem ukuita sei hako haa


machinja mudhara ndakanzwa kuti muri
kunetsa panyaya dzemagetsi"said Mikel.

"Haaa ndainetsa but now zvakapera


tangova marombe ari kungotenderera
neghetto"

"King Diva haa huyai ndimbokutengerai


drink ndafara kukuonai long tym sahwira
zviri kunetsa ngatizviise mumaoko
aMwari"said Mikel.Ndakapinda mumota
make tikaenda pane imwe shop akatenga
madrink acho tikatanga kunwa.Apa
ndaida riri beer but ndakaramba ndiri
zii.Ndakamupa number dzangu akati
aiyenda kumusha.

"Uri kuenda kumusha nhasi here"

"Ehe kupurazi ndiko kuna ana


muchembere"said Mikel.
"Ko Maka ariko here"

"Uyo ari Botswana achauya hake very


soon"said Mikel.

"Saka ngatingobaya tese wondisiyawo


pamba sezvo toshandisa road imwe
chete"ndakadaro.

Takaenda nekumba kwangu ndikanotora


kabag kangu.Mota yakarohwa tichitaura
nyaya.Aindiudza hake zvevasikana vake
vakadanana navo vese.Hanzi
ndakuchitsvaga wekuroora sezvo
ndatowana basa.Anga ari Engineer
awana basa pacompany
pandaimboshanda.

"Saka basa racho wakariwana rini"

"Ndakabva last week ndichifambira nyaya


dzacho nhasi ndazopinda saka apa
ndatsvaga imba yekumbogara
mutown"said Mikel

"Yaaa zvakanaka bro"

"Diva wandichinjira wena King Diva


muchiri kuziva here day riya kuxul
pamakadonha pamasteps ekukwidza
palibrary mukaita kukudubuka"akadaro
Mikel achiseka.Takasvika papurazi ravo
asi akasiya mota kunze
kwegate.Akadzika akatora kapaperbag
akamhanya nako.Ndakaona akudzoka
namai vake.

"Hezvo Davie ndiwe here wakudada


kutadza kuuya kundimhoresawo handide
mukwasha akadai"said Mai Mikel
vachiseka zvavo.Kubva kare vaingonditi
mukwasha pamwe vaifunga ndoda
mwana wavo Maka here ameno.

"Mama ndaida kuuya ndakarongeka apa


ndine kwandiri kumhanyira"

"Hoo manje handichade nemwana


wangu,ufarise vamwe kumba"vakadaro
vachidzokera zvavo.

"Ndovafarisa mhamha"

"Iwewe Mikel ukurumidze kudzoka"said


mai Mikel.

"Mama ndichiri mwana mudiki here


anoudzwa izvozvo haaa mama ka" said
Mikel achiseka.Ndakaona aiva too close
namai vake.Ndakazviyemura hangu
akarova mota tikasvika pamba
ndikashamisika kuona mama naNatty
varipo.Mikel akamhoresa vanhu
ava.Takabva tamborova chirounds
naMikel tikabva tasangana naLisa anga
akachena.Apa kanga kari kunaka
wena.Ndakaona Mikel aramba akatarisa
Lisa kunga ari kumufananidza.

"Hello sista ndokumbirawo kutaura


nemi"said Mikel achinyemwerera.Iye Lisa
wacho akabva amira.

"Ko Mikel wakuda kuita sei futi"


ndakabvunza.

"Haaa King Diva chimboitai easy


kani"said Mikel.

"Mkoma taurai nyaya yenyu ndine


kwandiri kumhanyira ndiri mumashure
menguva izvozvi"said Lisa
akanditarisa.Ndakamutarisawo ndikaona
akurolla maziso ake.

"Okay ko munonzi ani zita"

"Moridii zita rangu ndizvo zvamandimisira


here"said Lisa.

"Kubvunza kureva kuti ndikuda kuziva


sista chimbodzikamisai hana ndine
zvandiri kuziva chete"

"Hehehede ini kudzikamisa hana


ndakuonai amuna nyaya regai ndiende"
said Lisa akabva atanga
kuenda.Ndakafara nekuti Mikel
ndaisambomuda pedyo naLisa.Lisa
akaenda tikasara takamira naMikel.
"Sis avo vane dzungu asi vafunga ndiri
kuda kuvanyenga kani"said Mikel.

"Waida kuvadii sis avo ndizvo zvavari


havatangiki"

"No ndaida kuziva zita ravo nekuti


vakafanana netumwe tuvasikana twuri
kushanda pamba pedu ndaida kubvunza
vanozivana here"said Mikel achitarisa
Lisa anga ave kure.

"Tuvasikana twupi itwotwo nekuti


vasikana vandoziva vakafanana naye vari
kuno vapfana vake" ndakadaro.
"Haa nyaya yacho ngaipere asi sis avo
umm vane voice rakanaka, vakanaka ava
ndovasikana manje vekuisa pamba"said
Mikel.Mashoko aya akandibhowa Mikel
akutochiwa mkadzi wangu.

"Mkadzi wemunhu ane vana uyo"

"Mkadzi waani vana vapi Diva unonyepa


uchikuziva tichiri kuhigh school
wakambondinyepera kuti Stella ane
mufesi iye asina zvako
handingazvitevedzi"said Mikel.

Ndakatoona kuti Mikel anga akuda munhu


wangu.Ndanga ndisisina mufaro iye
akazviona.

"Matsamwa mudhara haaa


handichapfimbi hangu ndasiyana
nazvo"said Mikel achiseka.

Takaswera tese naMikel akazoenda


kwasviba.Ndakaenda kumba ndikasvika
Lisa akagara namama paveranda.Lisa
anga akutaura zvekuda kunodzoka
kugara kwaigara.

"Lisa wakuda kubva pano nekuda


kwaDavie here uyo siyana naye"said
Mama.

"Ko Natty ane mimba zvazvakatooma


nhai" ndakadaro.Natty wacho akabva
asunga chiso anga akarara pamakumbo
amama.Ndakabuda ndikavasiya
nevaroora vavo.Ndakaenda kunoona
rasta vanotengesa chamba ndikasvika
vasipo.Ndakavamirira asi ndakaona kuti
ndiri kumirira mahara.Ndakadzoka kumba
vanhu vachifara zvavo asi Lisa aiva zii
hake ari pafoni.Ndakatora vana
ndikaenda navo muroom mangu.Twanga
twakamuka ndakaramba
ndakatutarisa.Ndakapotsa ndabudisa
musodzi ndakatarisa vana vangu vanga
vari kukura pasina cha ndavaitirawo.
"Tashia and Tashley ndokudai vana
vangu ,musafunga andina rudo nemi asi
zvinhu azvinawo kumira zvakanaka
kuside kwangu ndokudai vana vangu i
promise kuti ini namai venyu
tichadzokerana"ndakadaro ndikaona
twakusekerera twuchitambisa
maoko.KaTashia kaibata kumeso kwangu
kachisekerera ndoshaya kuti zvandataura
ndozvavafadza here kana kuti kungofara
kuva pedyo nadaddy vavo.Apa ndanga
ndakuda kuti ndichiita ndichiswededza
Lisa pedyo neni.Kupedza zvese ndofana
kuwirirana naNatty ndiye achandigadzirira
zvinhu zvangu.Ndakaona kuti kuna Lisa
ndikaenda ndega haambobvume ane
hasha dzakanyanyisa zvekuti neniwo
ndozogumisira ndatsamwa.Lisa ndaida
kumuendera ndakarova chamba
chete.Lisa akanoka akapinda kutora vana
vake akabuda.Ndakasara ndakarara
ndichifunga kuti ndoita sei.

Ndakaona best way kutanga kukumbira


Lisa ruregerero pedu tega kana azoramba
ndochiita zvinhu zvekuti ndiwirirane
naNatty kuti azondisoftira
Lisa.Ndakabuda ndikanogara pasofa Lisa
naNatty vanga vachibika.Mama vanga
vachigezesa vana 2.Chikafu chakaibva
chikapakurwa tikadya.Ndakaona ndega
kuti Lisa naNatty vaisada kundiona
ndakabuda ndinodyira muroom
mangu.Mama vakandideedza kuti
tinamate.Takanamata ndikadzoka
kunorara.Ndakamuka zuva ratobuda
pamba paiva naNatty chete.Ndakataura
naye but waingoona wega kuti haasi kuda
zvekutaura neni.Ndakaenda kugarden
kunotsvaga macarrots ndikasvika Lisa
achidiridza misodzi iri
pamatama.Ndakashaya kuti aichemei.

"Lisa uri kuchemei"

"Diva siyana neni"said Lisa.

"Lisa I know kuti ndakatadza ndakakuitira


hutsinye izvozvi ndava kuzvituka nehunhu
hwandakaita ndoda
undiregerere"ndakadaro.
"Diva handisi kuda kutaura newe
usafunga kuti kugara kwandiri kuita
pamba penyu kukuda aiwa inyaya yagogo
vana2"

"I know hauchandide asi ndoda


undiregererewo Lisa"

"Okay"

"Saka wandiregerera here Lisa"

"Ndakuregerera but kwete zvekuti


tadzokerana achakutonga ndiMwari not
me"said Lisa.

Ndakada kumbotaura naye asi


aindiratidza kuhunhu kekuti siyana
neni.Ndakasiyana naye ndikaenda kumba
ndikasvika Natty achidya.

"Natty sorry pazvese zvandakakutadzira


ndoda undiregerewo please" ndakadaro.

"Asi Diva inini wakandibhowa kudhara


pawakarwadzisa Lisa unozviziva anga
akaperera pauri iwe ukamutambisa"said
Natty.

"Ndamukumbira ruregerero
akandiregerera asi ati hatina kudzokerana
ndangonzwisisa hangu "ndakadaro
ndakunzwisa tsitsi.
"Hoo"

"Ehe saka iwe wati chii"

"Okay zvapera Diva ndakadzidziswa


namama vangu kuti usachengeta
chigumbu ukaona uchingeta zvigumbu
wasiyanei nemunhu asinganamate"said
Natty achinyemwerera.Ndiko kutanga
kuwirirana kwandakatanga kuita naNatty.

"Asi Diva chimwe chinhu siya


zvemadrugs kana uchida zvekuwirirana
neni" said Natty.

"Umm asi nd....."


"No *asi* zvandataura mazvinzwa baba 2"
said Natty.

"Okay ndichamboedza kuzvisiya mainini


Natty asi ndasvika Lisa achichema chii
chikumboitika"

"Daisy naNoku havasi kuoneka kwavari


vari kushaikwa ,zuva nezuva Lisa anenge
achichema uyu"said Natty.

"Ko chii chakaitika


vashaike"ndakabvunza.Natty
akatsanangura zvese zvakaitika.
Ndakabva ndafunga zvakataurwa naMikel
zvekuti Lisa akafanana netuvasikana
twuri kushanda pamba pavo.Ndakatora
mota yamama ndikaenda kumba kwana
Mikel anga atova masikati.Ndakasvika
ndikatambirwa mai Mikel vakafara
kundiona.

"Wazouya kundiona mukwasha wangu"

"Zvamama here ehe ndauya ko Mikel


aripi"

"Mira ari kuuya ambosvika kumunda


uko"said Mai Mikel.
Pasina nguva Mikel anga auya akapfeka
short.Takabuda tikanogara panze
paloan.Akabva asimuka kuenda mumba
akadzoka akabata laptop yake.

"Ndaudza tuvasikana utwu kuti


twubike"said Mikel.

"Twusikana twupi twakanaka here"

"Ehe shamwari vana ivavo vakanaka but


vadiki manje ndakambotugaira horror asi
ndakazosiyana nazvo"said Mikel.

Mai Mikel vakazotishevedza vachiti


chikafu chaita.Takapinda changa chaiswa
patable.Takagara patable ndikazopererwa
ndichiona Daisy naNoku vachiuya kugara
patable apa vanga varukwa
zvakanaka.Imi ndaisaziva kuti vana ava
vakanaka kudai.Ivo vacho vakaramba
vakanditarisa zvekushamisika.

_drop your comments_


*Watch out for chapter 53*
[2/25, 5:26 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/JzaGJR7WW8
GCXY0jiw43IT

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 53*

*DiVA*

"Asi munozivana here nhai" vakabvunza


Mai Mikel.Vana Noku vanga vagara
pamachair avo vakanditarisa .
"Kuzivana nani mhamha" akabvunza
Noku.

"Ndiri kubvunza kuti munozivana here


ndaona kamutarisiro kamaitana kunga
vanhu vanozivana" vakadaro mai Mikel.

"Tomuziva munhu uyu ane hutsinye


mhamha"said Noku.

"Ko aita sei nhai Noku ko Diva tiudze


munozivirana kupi" vakabvunza mai
Mikel.

"Vana vaPotse ava mama vanogara


muraini medu ndikushamisika
kutovaonawo pano"ndakadaro.

"Hoo vakandiudza kuti vabereki vavo


vakashaya ndakavanzwira tsitsi
ndakavatora sevana vangu chandovadira
vana ava handina problem navo
vanoterera zvisingaite"said Mai Mikel
vakatarisa Noku naDaisy.Matwins aya
akasekerera zvavo.Takatanga kudya
tatochinja nyaya.Tapedza Noku naDaisy
vakatora mandiro vakarongedza.

Takambofamba naMikel tichiona


mapotatoes avo avanga
vakarima.Ndakadzoka ndikaona Noku
naDaisy vakagara zvavo pedyo nepagate
vachidya ma apple.Mikel anga apinda
mumba aida kumbogeza.

"Vana imi kunyepa kuti vabereki venyu


vakafa ko baba venyu vakafa here"
ndakabvunza ndichiseka.

"Saka zvosekesa here nhai iwe ko


zvekunyepa kwedu zvinei newe"said
Daisy.

"Sorry kana ndatadza ndiri


kungobvunzawo"

"Siyana nesu i hate you Diva waida kuti


nyengesa kune mazishamwari ako
aya"said Noku.
"Aiwa musandifungira zvisizvo, sis venyu
vaonda vari kuchema zuva zuva vachiti
vana vamai vangu varipi vakazama
kukutsvagai asi vakakushayai"
ndakadaro.

"Ngaasiyane nesu anopenga haatide


takamuudza kuti hatisi kuda kugara
pamba pababa iye akatiendesa zveforce
ini pano handichade kubva panonakidza
Mai Maka vanotida vanotibata sevana
vavo"said Noku.Mashoko aya
akandirwadza ndoshaya chii chavanga
vakuvengera sis vavo.Dai vaiziva kuti Lisa
wacho haasi kurara achivafunga
vaisambodaro.
"Lisa ndisis venyu veropa dai maiziva kuti
anokudai maisambodai ko maida aita sei,
musarwadzisawo Lisa please
ndokumbirawo mundinzwisisewo"
ndakadaro.

"Lisa wacho aripi asi makadzokerana kani


iwewe zvawava kumureverera
kudaro"akabvunza Daisy.

"Ariko kumba uko saka chinzwai manje


mangwana ndichauya ndokutorai
mozodzoka henyu asi chandikuda kuti
muonane naLisa"ndakadaro.
"Okay unouya wotitora kwacho" vakadaro
vakufamba kubva pandiri.Mikel akazouya
tikambotandara zve2mins.Ndakadzoka
kumba kwatosviba ndakasvika Lisa
akabata shaya akagara paveranda.Natty
aibika ega mama ameno vanga
varipi.Ndakanogara paside naLisa akuda
kusimuka ndakamubata ruoko.

"Ndokumbirawo umbogara pasi ndoda


kutaura newe"

"Uri kudemander here or uri


kukumbira"said Lisa.

"Nhai maiguru Lisa inga vati


ndokumbirawo kuratidza kuti vari
kukumbira chiii nemi maiguru"said Natty
akamira pamberi pedu.Lisa akabva
adzikama akagara pasi.Natty akabva
auya kugara kuside kwangu zvekuti ndini
ndanga ndava pakati.

"Mandivigirei bamukuru"said Natty.

"Umm apana sorry"

"Andide sorry yenyu ini"said Natty.

"Haa mainini dai ndine mari ndakuvigirai


something manje nditori pazero even
yemabeers andina"ndakadaro.Lisa anga
akabata shaya akatarisa kuside kwangu.

"Zvemadrugs ndizvo zvaunongofunga


apa vana hauna basa navo haunyari kuti
vana votengerwa hembe neumwe
murume iwe uripo nxaa I hate you
unondinzwisa hasha"said Lisa achida
kusimuka.

"Lisa I know ndakatadza ndobvuma


hangu asi vana ndovada mira uone
zvandichavaitira kutaura chokwadi ndichiri
kukuda ndoda tidzokerane " ndakadaro.

"Diva usandibhowa andide kuzvinzwa


izvozvo kana uchitora advantage yekuti
ndiri pamba penyu ndobva hangu"said
Lisa achipinda mumba.Ndakasara
ndakagara naNatty.Lisa ndaimuda
nemoyo wese dai akandiregerawo.
"Ba2 chimbomirai zvekuramwa nekuti
mukatanga kuramwa hamumuwine
uyo"said Natty.

"Natty ndatopererwa ini ndaida kumuudza


good news manje atoita zvekuti
ndisamuudza"

"Good news dzipi ndiudzeiwo"

"Dzavana vamai vake nhasi ndanga


ndinawo nhasi" ndakadaro.

"Hiiiii are you serious Diva kana kuti


ukujoka" akadaro Natty avhura ziso.
"Ndiri kurevesa Natty ndatoita effort
yekuvatsvaga iye Lisa akundiitira rough
ndichida kumuudza good
news"ndakadaro.

"Yeeeeeeeeeee ndafara wavana kupi vari


safe here"

"Vari kugara kumba kwemufesi uya


anonzi Mikel wandakambouya naye pano,
vari safe hiii ukavaona uchavaziva here
vatoita nekurukwa pamba pembinga ka
pavari kugara"ndakadaro.Natty nedzungu
akamhanya mumba kunoudza
Lisa.Ndakaona Lisa auya pandiri
achinyemwerera.

"Hiiii ishuwa here Diva kuti wawana vana


Noku"

"Ehe ndavawana nhasi uko kumapurazi


ndiko kwavari kushanda" ndakadaro.

"Saka handei tinovatora nhasi ndikuda


kuvaona ndobvuma ndavaona"said Lisa.

"Now ndasiya vambobuda ndovatora


mangwama kuseni asi promise kuti
ndikauya navo tobva tadzokerana"
"Hiiii ukauya navo unenge wandifadza
zvawataura tinenge takuona nekuti
wakambondirwadzisa"said Lisa chiso
chake chane kakufara mbichana.Mama
vakasvika zvavo vakabereka ana 2 umwe
vakaita zvekubata
mumaoko.Ndakavaudza good news
vakafara.

Manheru ezuva iri akandifadza Lisa


aitaurawo neni zvakanaka.Takanonoka
kurara tiri vatatu ini Natty naLisa.Mama
nana2 vanga vakutoridza ngonono
varara.Natty akabva aenda kunorara
ndikasara naLisa.
"Lisa im sorry pazvese zvandakakuitira"

"Ndakati ndakuregerera"said Lisa


akanditarisa.

"Asi ndoda tidzokerane tichengete pamwe


chete vana vedu mai2"

"Tozotaura wauya nana Noku


pano"akadaro akusimuka
kunorara.Ndakazviona aiva asina hope
aida kungonditiza.

Ndakanonoka kumuka ndakaita


zvekumutswa naLisa akabata Tashley.
"Chimuka kani chienda unovatora
ndanonokerwa kuvaona kana kuti toenda
tese"

"No ndoenda ndega mira ndinotanga


ndadziisa mvura yekugeza"ndakadaro.

"Ndanga ndadziisa kare yatodziya


iyo"said Lisa akanditarisa
achibuda.Tashley kakatanga kuchema
kachida kuuya kwandiri.

"Iwe Tashy andide munhu anonetsa"said


Lisa

"Ari kuda daddy vake" ndakadaro.


Lisa haana kupindura akabuda akanogara
mudinning.Ndakamuka mvura
yavapo.Ndakageza ndikapedza ndikarova
smart remberi chairo.Ndakuda kubuda
ndakasangana naNatty akagara
namhamha.

"Bamukuru madii kugerwa mobva


manyatsoita smart nekuti tuma logs utwo
twunondibhowa mobva maita kunga
bhinya"said Natty.

"Taura hako Natasha"

Ndakangoseka ndichienda pamota


ndikaona Lisa akatogaramo hanzi hande
tose.Ndakamurambira akadzikama
atsamwa.Ndakafunga plan yekuenda
nevana vangu kuitira vana Noku
vasazofunga ndikuvanyepera.Ndakasvika
papurazi pana Mikel.Ndakasvika Daisy
naNoku vachitsetsa
mapotatoes.Pavakaona ndakabata ana 2
vakasiya zvavaiita
vakandimhanyira.Vakasvika kutora vana
2 ivo vana2 vacho vakatanga kuchema.

"Hiweee ndiri mai vako chii chaunochema


kasira kunyarara ndisati ndakurova"said
Noku.
Twana 2 twacho twaifarisa twakaramba
twuchichema.Pandakatutora twakabva
twanyarara twukatanga
kusekerera.Ndidzo time dzakabuda Mikel
akashamisika kuona vana vakafanana
neni.

"Saka kusandiudza kuti une vana hauite


saka mai vacho varipi"

"Mai vevana ava ndivo sis vevasikana


ava anonzi Lisa watakasangana naye that
day kungoti hatisi kuwirirana pane
zvakaitika"

"Hooo pakanaka twakanaka twana twako


umm"
"Thanks Mikel chinzwa nyaya iri pano
ndoda kumbotora Daisy naNoku
ndodzoka navo vari kudiwa uko"

"Okay no problem kana vachizongodzoka


havo"said Mikel.

"Ko mkoma Mikel madii magera uyu Diva


ini andingombokwire mumota umo kana
asina kugerwa izvo"said Noku.

Mikel akatanga kuseka


hake.Akazondigera zvakanaka zvanga
zvakandifita zvekuti ndakapihwavo
macomments nana Noku.

Ndakapinda mumota vana Noku vanga


vavamo vakabata ana 2 vanga
varara.Ndakarova mota tikasvika Lisa
akaita kugara pagate.Ndichisvika Lisa
akamhanya kumbundira vana vamai vake
musodzi ichibuda pamatama.Vakapedza
nguva vakambundirana.

"Sis amutide atina anotidawo"said Noku.

"Noku muri vana vamai vangu ndokudai


hiii makarukwa zvakanaka"
Ndakavasiya vachitaura dzehupenyu
ndakaenda kugarden kunobvisa
macarrots.Ndakauya nawo pamba
ndakasvika Lisa asipo hanzi abuda
kuenda kunoona mai Mikel.

"Apa bamukuru magona Lisa ari kufara


chionai mava munhu magerwa ndaona
madzokerana naLisa"

"Davie ndiri kufara nehunhu hwako


hwakuratidza kuchinja ndizvo zvakanaka
izvi kana riri basa usatya Mwari
vachavhura nzira"said mama.

"Thanks mama ndakuda kutanga


kurarama life nyowani"

"Diva ndiwo mukana wako wekukumbira


ruregerero kuna mai 2 ukatadza
kudzokerana naye apa hauzomugoni
uyo"said Mama vachiseka havo.

"Lisa ndakataura naye manheru


pandakataura naye akaratidza kuti achiri
kukuda saka wotaurawo zvakanaka
please"said Natty.

Lisa wacho akazodzoka manheru aine


vapfana vake vaine kabag.Lisa anga
achamboda kusiyana nevana vamai vake
here.Daisy naNatty vakaenda kunorara
muroom yaimboshandiswa naDaisy
kudhara.Ndakanonoka kurara tikasara tiri
vatatu naNatty.Lisa aifara aitaura zvekuda
kudzoka kutown hanzi ndakasiya pamba
paHakim pasina munhu.Natty ndakamupa
sign yekuti atipe space ndaida
kumbosofta munhu wangu.Natty akabuda
akaenda kunorara.Ndakatanga kukumbira
ruregerero asi munhu wacho airamba
zvekudzokerana neni hanzi haundide.

"I love you is not enough to describe my


feelings for you"ndakadaro.
"Ummm Diva" said Diva

"I'm serious tell me kuti u don't love me


wakanditarisa mumaziso"ndakadaro

"Ndaikuda Diva asi wakandirwadzisa


ndakutya kuzosiiwa futi" said Lisa maziso
ajenga musodzi akanditarisa.

"Lisa ndokuda handichafe ndakakusiya I


promise"ndakadaro.

"Aaah ndoziva sei kuti hauzondirwadzise


futi"
Andina kuda kupa munhu nguva
yekubatanidza ndakatanga
kumukisa.Akatanga achada
kumbopaparika kunga huku yachekwa
musoro asi akazodzikama.Takakissana
kwenguva yakareba tikazosiyana
nekuchema kwana 2.Lisa anga akunyara
kunditarisa akamhanya kue nda kuroom
kwairara naNatty.Ndakasara ndichifara
zvekuti ndakabatidza radio ndikasiya
pafull blast.Ndakaona mama vamuka
vakagumbuka vachidzima radio.

"Hatisi mubhawa iwe unodii kuridza


masikati inguva yekurara ino"said
mama.Ndakatanga kuseka ndaitonzwa
kufara.

"Saka uri kusekei inzwa vana vakuchema


nenoise yako"vakadaro mama vachienda
kwairara Natty naLisa.

Ndakaenda kunorara ndine


mufaro.Ndakatombopfugama ndichitenda
Mwari nekudzora moyo wemudiwa
wangu.Ndakarara ndichifunga kiss
yatapanana naLisa.Makuseni ndakamuka
ndikaona Lisa akagara nevana vamai
vake.Ainyara kunditarisa zvakaonekwa
naNatty akaziva nyaya yacho.Mama
ndivo vaiva murima chete.Ndakatora vana
vangu ndanga ndafunga kumboenda
kunoona chibage navo kumunda.Pasina
nguva ndakaona Lisa atevera ari
mumashure mangu akati mira nditange
ndava gezesa wozobuda navo.

"Mai2 my everything thanks


nekundiregerera ndiri kunzwa kufara"

"Ummm okay"

Takadzoka Lisa akatanga kugezesa vana


iye apedza akagezawo.Ndakatora vana
ndikabuda ndikaenda
kumunda.Ndakazodzoka ndikasvika
pamba pangori naLisa chete.Andizive
vamwe vanga vaendepi.Ndakaenda
kunotaura nemudiwa wangu ainyara
nyara.

"Lisa I love you"

"I love you too daddy va2"said Lisa


akavhara kumeso.

Ndakaenda pedyo naye tikatanga


kutsvodana.Ndichamubata muviri wake
wese.Takasiyana natsvikirwa naNoku
naDaisy.Noku naDaisy vakavhura maziso
zvekushamisika

"Diva wafunga kupa sis vedu edzi


nemahuriro awaiita aya"said Noku.
"What" said Lisa akavhura ziso

_drop your comments_

*Watch out for chapter 54*


[2/25, 5:26 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*
https://chat.whatsapp.com/JzaGJR7WW8
GCXY0jiw43IT

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*CHAPTER 54*

*LISA*

Mufaro wangu wakanyanyisa nekuwana


vana vamai vangu.Diva ndakashaya
ndomutenda nei nekuunzira vapfana
vangu.Daisy naNoku vacho ngavanake
vakarukwa vanga vatochinja ndakaona
kuti vaigara zvakanaka.Ndakazoenda
navo kwamai Mikel ndaida kuvatenda
nekugara nevana vamai vangu
zvakanaka.Vakarwadziwa nekutora
kwandakaita vana 2 ava.Ndakavati don't
worry vanopota vachizombouya havo
maholiday izvozvi ndoda vamboenda
kuchikoro.

Natty akataura neni achiti ndiregerere


Diva ndakamboramba.Ndakazongoona
best way kumuregerera anga achinja ava
smart agerwavo.Pandakasvikirwa nana
Noku tichikisana naDiva
ndakanyara.Ameno zvandanga
ndakunzwa so.Pakataura Noku zve edzi
ndakavhunduka andina kana kubvira
ndambozvifunga.Ndakasiya vana vaina
Diva ndikabuda nevana vana vamai
vangu takananga kumba kwababa.
"Asi sis apa mandibhowa mandiratidza
kuti muri so cheap manga madzokerana
nguvai"said Noku.

"Noku remember Davie ndiye baba


vevana vangu waida ndisvike rini
ndakamutsamwira"ndakadaro.

"Haaa ini handioni pane chakaipa


kumuregerera asi makurumidza
kumuregerera chete asi musati marara
naye endai munotariswa ropa nekuti
aizviwanza Diva"said Daisy.

"Ini ndaisatoda kuti aregererwe , ndaitoda


kuti muroorwe naMikel hangu" said Noku.
"Unopenga Noku nyarara hauna nyaya
ndakuona hangu"said Daisy.

"Iwe ndiri kutaura newe here asi unomuda


kani Mikel wacho"said Noku.

"Iwewe asi Diva unomuda kani zvausiri


kuda vadzokerane"said Daisy.

"Daisy ndokurova wakundijairira


manje"said Noku akanongedza
Daisy.Twakatukana twukagumisira
twakurova lucky tanga tava pachivanze
pemba.Ndakavasiya vachirovana fight
yavo handimbobate vanozviitisa vafana
ava.Ndakaona panga pasina kukiyiwa
ndakapinda muroom
mandaimborara.Ndakatarisa pawindow
ndikaona vapfana vaya vachiri
kuumburudzana pasi.Ndakabuda
ndikanovabata twanga twakufemeruka
kunga twaiita zvine musoro.

"Chii chamunoroverana ipapa nguva


dzega dzega munenge muchingorovana
chimbori chii heee ndatoona kuti
hamufani kugara mese"ndakadaro.

"Sis uyu Noku anondidenha tiri kwamai


Maka akambondituka achiti pawaitaura
naMikel waitaura nyaya dzei waindinyeya
ka"said Daisy.
"Pfutseki ukafarisa tichakudzosa
umbogara kwamai Matemba"said
Noku.Ndakabva ndamupa mbama
anotaura asina kufunga sei.Daisy anga
akuchema akuona senge asingadiwe.

"Ini ndichadzoka hangu kumba kwamai


Maka nekuti apana anondida dai mama
vasina kufa pamwe ndivo vega vaigona
kundida thanks Noku nemashoko ako"
akadaro akatanga kufamba Daisy
achiyeredza musodzi.Ndakasara
ndikamurova Noku ndikamusiya
akuchema ndikatevera
Daisy.Ndakamuona uyo ava kumba
kwamai Natty akuchema akarara
pamakumbo pavo.

"Lisa Lisa Lisa chii chaunondiitira kana


musingamude Daisy siyai ndigare naye
wandibhowa"said mai Natty.

"Mama ndaita sei vanetsana vari 2


naNoku"

"Varowana wakatarisa ukaona Daisy


achikurirwa ukati rega ndisiye chii
chakutadzisa kubata izvozvi Daisy akuti
haadiwe unoda Noku chete"said Mai
Natty.

Ndakaona Noku asvika ndakashaya kuti


anga audzwa nani kuti tiri kuno.

"Mama pese Noku anondirova sis Lisa


avabate vanosiya ndichirohwa apa Noku
ndiye anenge ari wrong futi"said Daisy.

"Sorry Dee"said Noku.Ndakakapa


mambama hasha dzandanga ndinadzo
dzanga dzakanyanya.Ndakunzi ndakaipa
nekuda kwake.Mai Natty ndivo vakabata.

"Lisa mazuvano chii chiri kumboitika pauri


heee ko hasha ndedzei unaona kuti
dzichakubvisa pana Mwari vana ava
unotaura navo zvakanaka ukavarova
kudai unaona kuti vachakuvenga"said Mai
Natty.

Ndakagara pasi Noku akagara kure neni


ameno kuti kutya kurohwa here.Vese
vanga vanyarara kuchema.Mai Natty
vakataura vachititsiura zvavo.

"Lisa ndiwe zvese zvevana ava baba


vako apana ari kuziva kuti varipi chero
varipo havana care nevana ava ndoda
muite rudo mukasadanana pachenyu
zvinozobuda here"said Mai Natty.

"Daisy naNoku zvenyu zvekurovana


muzvisiye makura imimi hamusisiri vana
vadiki,next time Lisa ukaona vana
vachirwa unabata kwete kusiya unogara
navo wovagadzirisa not zvako
zvekutungamidza hasha"said Mai Natty.

Ndakavatenda nemashoko avo ndakatora


vana vamai vangu tikaenda kumba
kwababa.Apana aitaura neumwe
takasvika ndikamira padoor.

"Sorry vapfana vangu ndokudai mese


zvakafanana chandoda kuti muwirirane
anenge adenha umwe munondiudza
ndomurova ndirini kwete zvenyu
zvekurovana"
"Okay sis ,sorry Daisy"said
Noku.Vakabva vambundirana kuratidza
kuti vawirirana.

Takapinda mumba manga mazara


madust zvaioneka kuti pane nguva pasina
munhu.

"Ko mai Gift varipi" akabvunza Dee.

"Vakupenga avo apa baba havasi


kuzivikanwa kuti varipi"ndakadaro.

Noku naDaisy vakaenda kubedroom


kwairara Mai Gift nababa.Ndakaona
vakundishevedza.Ndakaendako ndikaona
ma uniform nekafoni kaya kandakasiira
ana Noku zviri pakati pematres.

"Hiii ndivo vakatora zvinhu zvedu


vapedza votitukisa"said
Noku.Ndakabudisa foni yangu ndikatora
mapics pazvanga zviri.

Noku akatora zvinhu zvavo vakaendesa


kuroom kwavo.Vakatanga kuclean pamba
apa kusvika pachena.

"Noku naDaisy ini ndoda kudzoka kutown


ndini ndakasiiwa pamba paHakim hapana
munhu"

"Aaah saka toenda tese sis"said Noku.

"Ndoda musare muchienda kuchikoro


mosara muchigara pamba pamai
matemba ndakataura navo ndinenge
ndichiuya maweekends".

"Haaa apana chakaipa sis sezvo taane


foni tinenge tichitaura manje ndini
ndikugara nayo inenge iri mubraa
umu"said Daisy.

Mazuva akafamba ndanga ndadzoka


kumba kwaHakim nevana vangu.Hakim
aifona ndaitaura naye achiti haasati
angoregerera maiguru vangu.Vana Noku
kumusha ndakanzwa vaisanetsa havo.

Diva akanditevera hanzi


ndakusuwa.Ndakamuti tiende
kunotariswa ropa takaenda ropa redu
ranga rakachena.

"Ndoda kumbogara newe pano kusvika


Hakim adzoka" said Diva.

"Aaah baba 2"

"Chii mai2 handei tinogeza"

"Aaah ndonyara ini"ndakadaro.Diva


akaenda kunogeza zvake ega.Pakapedza
ndakabva ndaendawo
kunogeza.Ndikabuda ndakamonera towel
ndikaona Diva akagara pabed umm
ndakatanga kunyara nyara.Akasvika
kundisimudza akandiradzika pabed
akatanga kundibata.Akabvisa towel
ndikasara ndava musvo.Ndanga ndapera
ndakunzwa kuda anga
andinonokera.Akuda kundiita chinhu
chake chikabva charara.Ndakashata kuti
chii chiri kuitika paari ndanga ndanzwa
nekumuda mukati mangu.Ndakapfeka iye
ndakaona akabata shaya kuratidza kuti
airwadziwa.Ini ndakashaya kuti ndiyani
akagadzira murume wangu.Ko zvayanga
yakamira yazovata sei.
Ndakabuda ndikaona hezvo ana 2 twava
kunze kamwe kaienda pasi pemota
twanga twakukambaira
nekugara.Ndakatutora ndikaenda natwo
mumba ndikaona Diva akabata shaya
airatidza kurwadziwa.

"Lisa ndaimbofunga ndiwe


wakandigadzira ndazozviona hausiwe
ndikushaya ndiyani akandidai"said Diva
akuita kunga akuda kuchema.

"Baba2 musatya everything will be okay"


ndakadaro ndichimusimbisa.
Zuva iri Diva akaswera asina mufaro
chaiwo.Takamboedza kuda kuita futi
mutambo wevakuru asi yaizovata ava
kuda kuita basa racho.Ndakarwadziwa
nekuti ndini ndaisiiwa ndiri pama 1.

"Ko mai2 ooh naMwari munhu akandidai


ndikamuziva anofira mumaoko angu"
ndakadaro.

"Ta . ta.. t..ta" kaidaro kaTashia .

"My lovely daughter "said Diva


achikasimudza.Hakim akabva afona
vakataura vese naHakim.Hakim
akaudzwa zvekudzokerana kwedu
akafara zvisingaite.Diva akawana kapiece
work akanogadzira stove yepanext
door.Takaenda tese ini ndagara ndaida
kuita basa raiita ndaida
kudzidzawo.Ndakaona kuti Diva aiziva
basa rake imhepo dzanga dzakamugara
chete.Akapihwa mari akabva aenda
kutown ndakafunga kuti pamwe aenda
kunonwa ndanga ndatotsamwa.Ndakaona
munhu achiuya nehembe dzangu
nedzevana.Ndakamujambira nemufaro
ndikaona ndanga ndatengerwa newatch
futi.
_ko akagadzira Diva ndiani_

_ko Potse mupenyu here or akafa_

*Rava kuenda kumagumo manje manje*

*Watch out for chapter 55*


[2/25, 5:27 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*
https://chat.whatsapp.com/JzaGJR7WW8
GCXY0jiw43IT

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806

*CHAPTER 55*
*LISA*

Mazuva akafamba Hakim naDean


vakabva kuSA.Lean havana kuuya naye
ameno sei vakamusiyawo andina
kubvunza.

"Ndafara kuona madzokerana ndizvo


zvandaida izvi King Diva"said Hakim
achiseka.
"Yaaa iwewe ndiwe wasara kudzokerana
naLean"said Diva.

"Haaa inini guys handichamiri regai


ndiende kumusha"said Dean.

"Wasuwa mkadzi wako tiri kuzviona enda


ini ndiri kuuya mangwana"said Hakim.

Dean akabva aenda hake.Ndakapihwa


zvandanga ndatengerwa naBamukuru
Hakim.Vakabuda vari 2 ameno kuti
vakaendepi.Vakazodzoka manheru
zvavo.
"Lisa sis vako Ropa ndivo
vakandigadzira"

"What waziva sei kuti ndiye"


ndakabvunza.

"Ndaenda kumadzibaba
vanditsanangurira zvese ndatonzwa
hasha ndotenda Hakim ndiye
azondidzikamisa ndaida kumuvinga
kumba kwavo"said Diva.

Ndakatanga kufunga kuti Diva


akambodanana naRopa futi.Ko Ropa
akanzwa kuti ndadzokerana naye
anonzwa sei haaa ameno Diva ndewangu
ndini ndine chimuti.Ndakapakura chikafu
tikadya tikaenda zvedu
kunorara.Makuseni ndakamukira kuenda
kumba kwamainini vangu.Ndakasvika
Ropa aripo akafara kundiona.

"Long time Lisa hiii ndakusuwa"said


Ropa.

"Shuwa long time"

"Ko sei usina kuuya nevana ndavaonawo"

"Haaa ndavasiya vanonetsa avo


ndavasiya nadaddy vavo" ndakadaro
Ropa akavhura ziso zvekushamisika.

"Baba vavo Diva here"

"Ehe ivavo"ndakadaro.

"Aaah makadzokerana rini nhai Lisa"

"Manje manje apo izvozvi ava munhu


kwaye ndakumuda munhu wangu"
ndakadaro.

"Wakapusa Lisa kudzokerana naDiva ko


washaya umwe here uchaona
achakumitisa futi okuramba"said Ropa.
"Kundimitisa how iwe
wakamugadzira"ndakadaro ndichiseka.

"What ndiani akuudza kuti ndakagadzira


Diva"

"Ndazvioneswa hangu"

"Hmm ndakutya ehe ndini


ndakamugadzira madays avanga
vadzokerana naBella ndaida
kumurwadzisawo"

"Hooo chienda unomusungura


zvawakaita"
Ropa akangonditarisa
zvekushamisika.Akabuda akazodzoka
after 2hrs akati zvaita.

"Ucharoya iwewe umm ndakukutya"

"Aiwa Lisa kungoti ndakarwadziwa


nekutitambisa kwaakaita achiziva kuti tiri
masisters kana wadzokerana naDiva
zvakanaka ndizvo zvawada",

Ropa ndakaona aisada ndidzokerane


naDiva.Handina kugarisa ndakabaya
nepachipatara ndikapihwa mafamily
planning.Ndakaenda kumba ndikasvika
Hakim naDiva vachitaura nyaya
vachiseka.

"Zvanaka wadzoka Hakim nhasi ndikutora


mhuri yangu timboenda kumba
kwangu"said Diva

"Yaaa zvakanaka baba 2 mugare


nemkadzi zvakanaka"said Hakim.

Takarongedza hembe dzedu


mumota.Takaenda kumba
kwaDiva.Panga pakasviba ndakapinda
busy kupacleana kusvika pachena.Diva
akatenga chikafu ndofunga mari anga
apihwa namkoma vake andina
kumbobvunza.Twana 2 twaikokambaira
twuchitenderera mumba.

Ndapedza ndakabika tichipedza


ndakaenda kunogeza ndikaona Diva
ateverawo.Ndainyara kugeza
nemurume.Takageza zvakanaka chinhu
chaDiva changa chakaita kumira.Tapedza
akandisimudza kuenda
kubedroom.Akasvika kurara neni ummm
ndakanakihwa zuva iri.Yanga
isingachavate zvayo zviya.

Mazuva akafamba ndaisajamba kunwa


mapills angu ndaisada kubata imwe
nhumbu vana 2 vachiri vadiki.Dean
akabvisira kumba kwana Natty zvakaita
kuti mai Natty vafarewo.Ndofunga
akabatsirwa namkoma vake chete.

Diva anga akuwana tumapiece work


achishanda hake.Akazowana basa
paimwe company akafara
zvisingaite.Maresult akabuda ndikabuda
ndakapasa ese anga akawanda ma
*C*.Ndakaendeswa kucourse nemurume
wangu Diva.Ndiye aibhadhara mari
yacho.

*4years later*
Ndanga ndapedza kuita course yangu
ndakawanawo basa paishanda
Diva.Ndanga ndakaitawo zvemagetsi
zvakaita murume wangu.Vana
ndaituendesa kuchikoro sezvo twanga
twakura twane ma4years.Ndaibva kubasa
kubasa palunch ndoenda kunovaona
kuxul kuti vari sei.Ndaizovatora
pandochaisa naDiva.Pabasa apa Diva
anga ari chibaba apana aizivirana naye
zvemagetsi.Akapihwavo chipost
chepamusoro kudepartment
rataishandira.
"Mommy manditengeyei"said Tashia.

"Aaah sorry my daughter andina kuwana


nguva yekupinda mutown"

"Ashi hazhisi feya zhamoita mommy"said


Tashley.

"Okay handei tinokutengerai mazep"


ndakadaro.

Ndakabva ndabuda natwo ndikatutengera


hanty kufara ikoko.
Mai Matemba vanga vakaenda kuSA
kuna Hakim naLean.Lean naHakim
vakadzokerana vanga vane mwana
musikana.Kutaura kudai Lean atova
neimwe mimba.Lean akakumbira
ruregerero nehunhy hwake hwakaita
akaregerwa.

Dean naNatty vanga vakugara


kuBulawayo kwaishanda Dean.Ndiko
kwavakatenga imba ikoko vakaita
zvekubatsirwa naHakim.Vanga vane
kamwana kamkomana kakafanana
naDean.Dean naNatty vaidanana
zvodadisa.Ini SA ndakaramba kuenda
naDiva nekuti ndaitya Diva anozoona
mazulu girl mayellow born akandiramba.
Baba vangu vakadzoka vaonda
vakatanga kutikumbira
ruregerero.Takavaregerera nevapfana
vangu apana anga
achakavatsamwira.Noku naDaisy vanga
vakugara pamba pababa vava kuita
maform 5.Ukavaona unozovaziva here
kana ari Noku anga adzikama asisina
dzungu rake.

Mazuva akafamba Diva akaenda


kunobvisira kumba kwedu.Baba vangu
vakafara ndipo pandakatanga kuonawo
dzimwe hama dzangu dzandanga
ndisingazive.Ndanga ndatora off kubasa
ndakambosara pamba pababa.

"Ko ndava nemakore ndisina kumbonzwa


nezvamai gift varipi vachiri kupenga here"
ndakabvunza.

"Mai Gift vakafa last year vatsikwa


nemota vanga vatova nepamuviri ameno
ndepani"said Daisy.

"Hiiii ndarwadziwa pamuviri paani hapasi


pababa here"
"Aiwa hapasi pababa ameno umwe
muporofita so ndakanganwa zita rake
vakafa zvinorwadza"said Noku.

"Saka baba vanozviziva here"

"Baba vanozviziva vanga vasingachadi


kunzwa nezvamai Gift"said Daisy.

Pasina nguva ndakaona Noku


achisuduruka patiri kunodaira foni
yake.Ko adii kutaura patiri.

"Ko Noku ari kutaura nani" ndakabvunza


Daisy.

"Andizive ini"said Dee.

Noku akabva auya patiri


achinyemwerera.Akabva ati ndiri kudzoka
ndoda kumboenda kumba kwana Emma
kunotora book reBio.Noku naDaisy vaiita
B.A.G(Bio,Agric & Geo pa A
level.Ndakaona Noku uya akunogeza
obva achinja.Ndakaziva kuti sis ava
vanenge vane mkomana
chete.Ndakamutevera kumashure
ndikaona apinda muimwe mota so.Mota
yacho ikabva yatorohwa.Ndakadzoka
kumba ndikabvunza Daisy.
"Tell me Noku ane mkomana here"

"Sis ini andizive hangu"said Dee.

"Daisy ndiri sis venyu sei muchida


kundihwandisira "

Daisy wacho akaramba ndakaziva kuti


kukavha umwe wake chete.Noku
akudzoka ndakamuona achifara
zvisingaite.

"Noku imota yaani


yawakwira"ndakabvunza.
"Aaah sis"

"Noku wakura I know waane mkomana


handikurambidze asi ndikuda kungoti
usavhure makumbo aya handiide mese
muite zvandakaita"ndakadaro.

"Okay sis"

"Saka unaye mkomana here"

"Ummm yes sis musandirovawo"said


Noku achinyara nyara.Daisy akatanga
kuseka hake.
"Ndiyani mkomana wacho ndoda
kumuona izvozvi"

"NdiMikel"

"Oooh uyo ndamuziva asi Noku please


behave kana unaye usavhure makumbo
aya" ndakadaro.

"Sis akatoti acharara neni andiroora


ndapedza chikoro"said Noku.

"Sis Noku haana kukuudzai ava


kutozivikanwa namai Mikel kuti ndiye
muroora wavo uye anodiwa naMaka
zvisingaite akatotengerwa madress ari
mumba umo ini andina mkomana
aah"said Daisy.

"Daisy wako achauya nenguva pari zvino


ita zvemabook"

",Mkomana waani iyeye


achauya"vakabvunza baba vachiseka.

"Hapana baba ndikutsiura vapfana vangu


ava" ndakadaro.
Ndakagara 2 days ndikabva ndadzoka
kumba kwangu.Ndakasvika Diva aripo ari
kutamba nana2.Ana 2 pavakandiona
vakandimhanyira.

"Mommy ndanga ndakushuwai"said


Tashia.

"Mommy takatengehwa mabhayuma


nadaddy"said Tashley.

Diva akasvikawo pandiri akandikissa


pamuromo chaipo.Twana 2 tukati daddy
tiyiiteiwo zvamaita mommy.
"Munonetsa vana imimi chimbosiyai
ndifare nemkadzi wangu"said Diva
achiseka.

"Hatinetsi tozhidawo zhamaita


mhamha"said Tashia.

"Aka kachenetsa chete kutaurisa


nekungwarisa"ndakadaro.

"Kufanana namainini Noku kungwarisa


kwacho"

"Hiiii Noku haasisina dzungu iwe dzava


nemufesi ndosaka dzadzikama haaa
ndabvuma rudo rwunodzikamisa munhu"
"I know hangu akudanana naMikel"

"Waitozviziva kwakutadza kundiudza


ende hubby hauite shuwa" ndakadaro.

"Ayi kudanana naMikeyi ndiyani mommy"


kakabvunza Tashia.

_drop your comments_

*Watch out for FINAL chapter 55*


[2/25, 5:27 PM] Patricia Kabhinzo:
*SHADOWS OF MY HEART*

https://chat.whatsapp.com/JzaGJR7WW8
GCXY0jiw43IT

_Written by King Lee_


~Lee Marzy~
+263774206587

*Edited by Melly*
0784 507 806
*FINAL CHAPTER 56*

*Dean*

Pandakanzwa kuti Natty ava nepamuviri


ndakarohwa nehana kuti zvandisina
chinhu ndichaita sei.Special thanks kuna
mkoma vangu Hakim akamira neni
achindisimbisa.Ndakapedza kuvar
ndikanotsvaga basa rangu.Basa arina
kunetsa rakabudira Bulawayo ndiko
kwandaida zvekugara
naNatty.Ndakatenga imba ikoko
ndikabatsirwa namkoma.Zvese
nekubvisira ndanga ndapedza.Ndanga
ndakunzi baba vaDeon.Kamwana kangu
kanga kakafanana neni zvisina kana
mubvunzo.

"Daddy saka ini ndoitawo nezvei kugara


pamba kunobhowa"said Mai Deon.

"Mai Dee pane chauri kushaya here inga


DSTV ndojusa kuti uwane chekuvaraidza
nacho"ndakadaro.

"Ba Dee zvandiri kutaura uri kuzvinzwa


ndati ndoda kushandawo zviri nani dai
wandiitisawo kacourse kekusona"said Mai
Dee.

"Ndazvinzwa mkadzi wangu ndichaita


plan" ndakadaro.

Chandaidira mkadzi wangu munhu


ainzwisisa.Ndakamboisa zvemuchato
paside Natty ndikamuendesa kucourse
yekusona.Akapedza ndikamutengera
tumichina akatanga achisona ari pamba
kusvika mbiri yafamba anga akuswera ari
busy.Mauniforms evana vechikoro aisona
futi.Akabata mari yake akavakisa toilet
yepamba pevabereki vake.Apedza
akavaka imwe kitchen yeround yanga
yakanaka zvisingaite.Pamba pavo
akapagadzira kusvika panaka zvese izvo
aingoita nemari yake.Hanzi ndakapromisa
mai vangu kuvaitira izvi nemari yangu.

Mai Natty vakafara vakatitenda


chaizvo.Ndakavati tendai mai Dee ndivo
vaita vega izvi.Ini chandakakwanisa
kuvaitira kutenga mazisolar mahombe
aya nemaradio neTV kuti vaonewo vari
pamba sezvanga zvakaitwa pamba pamai
vangu.Naison akatengerawo vabereki
vake masofa.

Deon takamusiya namai Natty ndiko


kwakaigara vaisada nako.Iko kacho
kaitodawo gogo vake zvakanyanya.

"Daddy mangwana ndikuda kuenda SA


ndine machira andikuda ikoko"

"No hazviite uende mira ndizotaura


neumwe mudhara wandoshanda naye ari
kuenda ikoko azouya nawo"

"Okay thanks daddy"said Natty


achindimbundira tikabva tatanga
kutsvodana.Kusvika taita mutambo
wevakuru pasofa ko kutyei taiva tega.

Mazuva akafamba Mai Deon vanga


vatova neimwe nhumbu.Iyi yaindida
zvekuti kubasa ndaiona auya palunch
kundivigira chikafu.Natty anga ane vanhu
vake vaisona achivabhara.Kaproject kake
kaisimuka bit by bit.Ndaipota
ndichimujegawo pazvinenge zvava
kudonha.

*HAKIM*

Lean ndakazomuregerera mushure


mekunga apona mwana
musikana.Ndakafara kuti ndava kunzi
baba.Lean akakumbira mhamha
ruregerero vakatanga kuwirirana
zvavo.Mhamha takavatora tikaenda navo
SA.Lean akati mwana apihwe zita ramai
vangu.Andina kuita nharo hangu.

"Ko daddy sei musina kuita kuti Lisa


naDiva vauye kushanda kuno"

"Diva aida zvekuuya kuno but Lisa ndiye


akaramba"ndakadaro.

"Hooo vaitya kutorerwa murume


nemazulu ava"

"Obvious mainini vangu vanochengera


havadi naDiva"
Imba yedu yakava nemufaro mama
vakazodzoka Zim vanga vasimba
nekutsvukira.Ndaingonzwa kumusha kuti
vari kuwirirana naMai Natty zvakanyanya.

Lean akatambira call achiudzwa kuti Sean


ari kurwara aida kumuona.Takadzoka Zim
tese tikaenda muchipatara manga muna
Sean akarara pabed.Mai Lean vanga
vakagara paside pavakandiona
vakatanga kunyara nyara.

"Ko ari kunzwei ko uyu"


"Mwana wangu ofa hatina mari
yeoperation apa baba vako Lean vari
kuTanzania foni yavo haisi kuita"said Mai
Lean.

Ndakaona Doc wacho akati aida kuitwa


operation saka paidiwa
mari.Ndakabhadhara mari yacho
operation yacho ikafamba
zvakanaka.Sean akatanga kupora bit by
bit kusvika abuda muchipatara.

Takaenda kumba kwedu


naLean.Takatanga zvedu kutamba
nekamwana kedu.Ndipo pakasvika mai
lean naSean.

"Mukwasha wangu moyo wako vashoma


vanawo Mwari vakukomborere hauna
kufunga kudzorera chitema
nezvatakakuita zviya ndiri kunzwa
kunyara"said Mai Lean.

"Mama zvakapera izvo ngatisasafunga


zvekumashure"ndakadaro.

"Makaita basa dai musipo ndakafa


ndinonzwa kunyara nemashoko
andakambotaura pamusoro penyu sorry
"akadaro Sean.
Takaswera takufara vakabva vaenda
zvavo.Takaenda kumba kwaDiva
manheru.Takasvika kutambirwa
nakasmell kainaka so kuratidza kuti
paifurayiwa.

"Tagona kutaimira nhasi" said Lean


achiseka.

"Haa maiguru muri sei"said Mai 2.

Takavasiya vega vakadzi


ava.Ndakatanga kutaura nezvehupenyu
nemwana wamai vangu Diva.
"Ndiri kunzwa kufara Dean naNatty vari
kugara zvakanaka Bulawayo uko
mukaona musha waSabhuku
moukanganwa imi"said Diva.

"Ndakaratidzwa mapics andisati ndasvika


kumusha ndizvo zvinodiwa chasara kuti
mochigadzirisawo wamudhara
Potse"ndakadaro.

"Mari yandanga ndinayo ndanga


ndichironga zvemuchato bro,haa mirai bro
topasota apo toda kuti vaye vaiti vana
vekwaMatemba havana hunhu vanyare
haa mudhara uya handimukanganwi
akandizvarira chiponda moyo changu ichi
Lisa"said Diva achiseka hake.

"Yaa unofana kupota uchimupawo mari


yebeer waiziya ko vapfana vana Tashy
varipi"

"Ndakatuendesa kuna mama ndakaona


hazviite vazogara vega vanoda
anovavaraidza"said Diva.

Papera chinguva takadaniwa kutable


chikafu changa chaita.Takadya chainaka
chaizvo.Ndakanyatsoona ndega kuti Lisa
naDiva vanga vakudanana
zvainakidza.Ndakafara nechemumoyo
ndikanamata kudai kuti pakasaita choda
kuparadza vaviri ava.

"Haaa mainini makaoma makaramba


kuuya kuSA" said Lean.

"Haaa maiguru uko anditodi ndotya


kuzotororerwa munhu wangu aona
vakanaka kupfuura inini",said Lisa
akatarisa Diva.Diva akatanga kuseka
hake.
*LISA*

"Mommy ndoda dhoya ipeiwo dhoya


mommy"said Tashia

"Ita kuti dollar Tashia",

"Dhoya"

"Unoda kuri kudii dhoya racho"

"Mommy ndoda dhoya upewo dhoya


mommy"said Tashia kakutochema.

"Kasira kunyarara ndisati ndakurova


dhoya dhoya kuita sei" ndakadaro
kakabva katanga kuchema
kachizviumburudza pasi.Kamwana aka
kachandinetsa chete baba vacho ndivo
vakauya kukasimudza.

"Mai 2 uri kurovei mwana wangu"said


Diva.

"Kanonetsa aka ndoshaya kakombotodza


ani uyu Tashley ari kutambisa zvitoy
zvake haanetsi"ndakadaro.

"Vana vanosiyana Mai2 haufani kubva


waita rough kuvana andizvifarire
hangu"said Diva.

"Aaah daddy ndazvinzwa"


"Chinyarara my daughter ndiudze ukudei
ndikupe"said Diva.

"Zhoyita mommy zhakashata daddy"said


Tashia.

"Vaita sei Tashia"

"Vandinyima dhoya ndikuda dhoya ndoda


kutenga azhepe ahombe"said Tashia.

Kakabva kapihwa nadaddy vacho ako


komhanya kushop.Takakaona kakudzoka
kakabata mazep acho.Tashley achiona
umwe wake ane mazep akatanga
kunetsawo takamupa yake akanotenga
ake.Tashley akanotenga madiki aya ari 2.

"Hazhisi feya mapa tashiyi maye


yakawanda ini mandipa yishoma"said
Tashia.

"Tashia ndakupai mari yakafanana asi


kuti ndiwe wati ukuda mahombe aya uyu
atenga hake madiki akacheaper"said
Diva.

"Ndodawo akadayi daddy"

"Tashia handide munhu anonetsa okay


handei kushop kwacho"
Vakabuda vakadzoka vane mazep
akawanda mamwe acho
ndakamarongedza mumba kuitira
tukanetsa ndotupa.Tashia kakatanga
kudya zvako kakagara pamakumbo
ababa vacho.

"Mommy ndoda mvuya ipeiwo


mvuya"said Tashia.

Tashia ndakashaya kuti kuzviitisa or


ndozvoita vana vari vadiki.Ndakakatora
ndikakapa ndapedza ndakuda
kukagezesa kakabva katiza.Ndakagezesa
Tashley ndapedza ndakuda kunotora
Tashia kwakukashaya.Ndakazokaona kari
pasi pemota.

"Yeeeeee ndakuhwandiya mommy"said


Tashia kachiseka.Kubva kaita kunga
vamwene vangu chaivo.

Ndakagezesa ndikabva ndatanga zvangu


kuita zvekubika.Itwo twanga twarara
twana twangu.Ndakatumutsa ndikatupa
chikafu ndaiita kutwupakisa.Ndainzwa
kufara kana ndakatarisa vana
vangu.Ndaimbosvika nguva
yandombochema ndichiti dai mai vangu
vari vapenyu vaonawo vana vangu ava.
Mazuva akafamba ana 2 ndakatuendesa
kwaGogo vacho.Ndakaisa tap pamba
pababa vangu.Ndapedza ndakatanga
kuvavikira imwe imba nechepaside pacho
yanga yakakura yaiva ne
8rooms.Ndaibatsirwa nahubby wangu
imba yakasvika pakupera ana Noku
vanga vamabook 6.Ndakatengawo
masolar neTV nemasofa
acho.Pandakapedza izvi baba vakabudisa
musodzi nemufaro.

"Mwana wangu une rudo rwamai vako


chairwo nehutsinye hwandakakuitira
kwakundiitira zvinhu izvi ndokutenda
mwanangu Mwari vakurangarire pamwe
chete nemurume wako"said baba.

"Apana pandaizokurasai muri baba vangu


thanks"ndakadaro.

"I wish dai mai vako vanga vari vapenyu


asi zvisinei vanofara vari kwavari ikoko
vachiona basa rakashandwa nemwana
wavo"said baba.

"Amen"

Kuona baba vangu vachifara


zvakandifadza.Mikel ndakazomuona
aifunga handizive kuti anodanana
naNoku.Ndakataura naye Mikel kuti
ambomira Noku apedze chikoro
vozotorana havo.

"Ko Daisy mkomana wako ndiani"

"Andina mkomana andisati ndamboita


mkomana futi"

"Asi hausi kupfimbwa here"ndakabvunza.

"Aaah Dee uyu anoramba vakomana


haatodi kunzwa nezvavo"said Noku.

"Reason yandovarambira andisati ndaona


anodiwa nemoyo wangu"said Daisy
"Yohweee ana Daisy rega
ndiseke"ndakadaro ndichiseka.

Ndakaenda pamba pavamwene vangu


ndikasvika ana 2 twuri kutamba
zvatwo.Mai Natty navamwene vangu
vanga vachitaura nyaya.Vaviri ava
vairatidza kuwirirana chaizvo.

"Asi mai 2 wachinja umm wasimba


nekutsvukira kudaro"said Mai Natty.

"Ndofunga ndatakurirwa umwe muzukuru


umwe"said Mai Matemba
vachinyemwerera
vakanditarisa.Ndakaona kuti smile yavo
ndiyo yakakopwa naTashia.

"Aaah mama"

"Mai2 ndafara nerudo rwako rwawaitira


baba vako hauna kuvarasa asi Noku
handichamuoni mushe ini"said Mai Natty.

"Hindava mama"

"Zera ravari iri roda anogara navo


achivatsiura asi ndofara hangu nehunhu
hwaDaisy haafambe fambe asi Noku iiih
mabasa"said Mai Natty.

"Mama munomutsiurawo asi


chandinofarira kuti adzikama haasisina
dzungu rake"ndakadaro.

"Auya auya mommy "ndakatarisa


ndikaona ndiTashia.Ndakabva
ndakasimudza ndikakapa kiss
padama.Iko kacho kakadzosawo kiss
kachindikisa pamuromo kutedzera baba
vacho.Tashley kanga kari seri kwemba.

Ndakasiya ana2 ndikadzoka kutown


kwangu.Mazuva akafamba ndichishanda
ndipo pandakaona kuti ndanga
ndazvitakura.Ndakamboramba
ndichishanda ndikazotora leave
hangu.Ndanga ndakuswera ndakagara
pamba.Ropa auya kundivaraidza asi
naDiva vanga vasingaonani kubva kare.

"Mai2 ndoita sei kuti ndiwine Donny"said


Ropa.

"Ummm panonetsa apa wadii kungomirira


kuti akupfimbe ega iwe kuti uzomupfimba
azvina chimiro" ndakadaro.

"Ndakaedza kuita ma actions but haasi


kundicheuka uyo ndoitawo sei ndoda
kuroorwavo"said Ropa maziso ajenga
misodzi.
"okay sis Ropa asi madii kungosiyana
naye wenyu achauya
nenguva"ndakadaro.Ropa wacho aiva
nenharo.Ndakamusiya akadaro akabva
abuda pakasvika Diva.

"Mai 2 how many times ndichiti andidi


kuona Ropa pano"said Diva.

"Daddy sorry zvozoita here kuti


ndimudzinge"

"Ini handimude hangu pano"

Diva akabva aenda kunogeza ndikamupa


chikafu akadya hake.Anga atsamwa
ndaiziva pane weakness yake murume
wangu.Ndakanopfeka zviri sexy
ndikatanga kumunyengerera.Takazoita
chivanhu chacho kusimbisa kababy kedu
kari mudumbu.Zvikoro zvakavharwa ana
Noku naDaisy ndakati vauye vapote
vachienda kumalessons sezvo vakuda
kunyora.Matwins aya vakatanga kuenda
kumalessons asi Daisy aigara ari zii ari
pamabook.Uyu Noku ndiye aimboti akati
bate bate book womuona ava pafoni.

Rimwe zuva vabva kumalessons


ndakaona kuti Daisy aifara zvakanyanya.
"Ko uri kufarirei mwana wamai"

"Sis ndikuda kubvunza andizive chii


chikuitika pandiri"said Daisy.

"Pane umwe mkomana wandasangana


naye andimisa achinditambidza pen
yanga yadonha, pandamutarisa hana
yangu yatanga kurova kuzoti
patamhoresana ameno zvandanzwa
haasi mademon here sis handisati
ndambonzwa zvakadai
ndinamatirewo"said Daisy.

"Ndazviona hangu asi mufesi uya ari


handsome hake"said Noku.
"Daisy ukaona zvadai pamwe zvoreva
kuti ndiye wako chaiye chaiye aroverwa
nehana yako saka ati anonzi ani"
ndakadaro.

"Ndakanganwa hanzi Donny what what


ameno "

"Ati anonzi Donell Guri anogara uko


kumaraini avana mainini mai Ropa"said
Noku.

Hana yangu yakarova pandakanzwa kuti


ndiDonell.Aidiwa naRopa zvino
akadanana naDaisy hazvizomutse hondo.
"Saka iwe wamuda here Daisy"

"Handimude ini aaah "akadaro achinyara


nyara asi ndakatoona ndega kuti mufesi
anenge amuda.

Mazuva akafamba Daisy anga akugarawo


ari pafoni achingonyemwerera.Ndakaona
kuti vapfana ava ndikavasiya vakadai
vanofoira.Ndakavatorera mafoni ndikavati
ndichakupai pamunopedza
kunyora.Vakambotsamwa asi andina
kuvapa ndipo pandakazoona kuti Donell
akudanana naDaisy.Daisy ndakataura
naye hangu.Ndakazovadzosa kumusha
zvikoro zvavhurwa.
Donell wacho akazouya manheru achiona
Diva.

"Donell ndiri kuzviziva hangu" ndakadaro.

"Kuzivei mai2 taura tinzwe"said Diva.

"Aah apana"

"Sorry maiguru musandifungira zvakaipa


pandakasangana nemwana uya
ndakaona ndiye chaiye wangu"said Dony.

"Muri kumboti chii ndiani wamuri kutaura"

"NdiDaisy"said Donell.
"Hoooo ndanga ndisingazive ini apo
unenge wazvibatira kwete ana Ropa
mahure aya"

"Ropa ndiye achasimudza mhepo I don't


love her asi anoda kuzvi forcer
pandiri"said Donell.

Mazuva akafamba Ropa ameno akanzwa


nani kuti Donell ava waDaisy.Ropa
akauya kutuka inini.Ndakaramba
ndakanyarara achindituka.

"Lisa ndakakuona unondijairira saka


ungasoftira Daisy munhu wangu
here"said Ropa.Ndakaramba
ndakanyarara hangu.

"Taura ka manje handiite give up


akaswedera pedyo nemunhu wangu
ndomuuraya nemaoko angu aya"said
Ropa.

"Hazviitike ndiri mupenyu sis Ropa


makaramba kutora m advise angu
kudhara ndakati siyanai naDonny
haakudei"ndakadaro.

"Maane mari ka makuvhaira makuita


zvamoda manje ini Lisa ukada
kuenderera ndokurova"
"Nxaa unorova asina maoko ndini
ndakakuti usaroorwa here siyana neni
haubatsirike" ndakadaro.Akandipa
mbama ndikadonha pasi.Ndakasimuka
akandipa imwe mbama ndikatanga
kunzwa dzungu ndiye zii.Ndakashamisika
kumuka ndichiona ndiri muchipatara.Diva
akagara paside pangu aina Mikel.

"Tell me chii chakaitika mkadzi wangu


matama ako akazvimba kuratidza kuti
pane akakurova"said Diva.Ndakatanga
kuchema Diva akapinda busy
kundinyaradza.Doc vakauya
vakanditarisa vakati mwana aiva bhoo
hake mudumbu.
"Ropa andirova hanzi ndini ndakaita kuti
Daisy atore mkomana wake Donell"
ndakadaro.

"What Ropa upi iyeye"said Mikel.

"Anofira mumaoko angu aya nhasi mira


uone"said Diva ava nehasha.

"Sis vangu Ropa ndivo vandiri kureva"

"Ihure uyo akambondiitira tumwe tuma


actions mazuva apera aya"said Mikel.
Diva akabuda naMikel ndikasara
muchipatara.Diva akazouya manheru
achindiona.Akati Ropa amurova
zvakaomarara Mikel ndiye
azobata.Mazuva akafamba dumbu rangu
raikura ndikaona Ropa anga
akazvitakura.Anga atizira umwe driver
wecombi aimunyepera kuti ane macombi
iye asina nechinhu.

...........................................................

Lisa akazobatsirwa nemwana musikana


vakamupa zita rekuti Tashney.Mwana
wavo akatanga kukura zvaifadza.Noku
naDaisy vakanyora book 6 asi Noku
haana kupasa akafoira.Daisy ndiye
akapasa zvakadadisa akaenda
kuVar.Noku akanga ava nepamuviri
paMikel akazotoroorwa.Mai Mikel
vakafara nekuti vaida Noku ave muroora
wavo.Daisy aidanana naDonell zvodadisa
asi aiva akazvibata mwana uyu.Aida
kufadza sis vake nababa vake kuti
azoroorwa apedza kuvar.

*The end*
_Namo Amitabha_

Thanks kune *vese* vakafarira book


iri...May God Bless You All...special
thanks to *Melly*
Thanks to my *sis Nyaa* and Pacify
Nassey

Thanks to *MTM crew*

Ndisingakanganwe *Queen Kaducci Ice*.

#PDF CREATED BY LORITY ARTS-


0712487424#

You might also like