You are on page 1of 148

TOO BUSY TO DIE

Stories by: Lovely Rutendo Nzira


CHAPTER 1
Victor Madziva akasvika pamba paaigara nemhuri yake zuva rodoka, akamira pamusiwo we 1
room yavo yaive kuseri kwemain house kwaigara varidzi vemba. Victor airoja nemhuri yake
kwaMajange, muMasvingo.
Akambomira panze achizeza kupinda mumba make maaibhadhara rent mwedzi waanenge
akwanisawo. Akaterera akanzwa vana vake vega vachitaura vachitamba vese. Akambozeza
kupinda mukati ndokuzopinda asingade kumutsa mudzimai wake Barbra waaifunga kuti ange
akarara. Vana pavakamuona vakambosiya zvese zvavaiita vomhanyira baba vavo.
Victor akange aberekerwa kwaGutu, amai vake pavakashaya, baba vachizoroora mumwe
mukadzi nekuita vamwe vana, akabva angotanga kuzvionera ega. Paakangopedzawo O’Level
akabatana nevamwe vakomana vechidiki vemuraini ndokuenda mhiri kwaLimpopo kuti
azvichengete. Paakaroora akafara kuti awanawo wekubatsirana naye muupenyu, asi kushaya
mari nebasa chairo kwakaramba kuchimudzorera kumashure. Aitaurawo nababa vake, uye
vanin’ina vake pano neapo, nekuvashanyirawo kamwe chete pamwedzi mitatu, asi nekuda
kwekushaya mari kwake hapana aimutsvaga.
Barbra haana kumuka kana kuratidza kuti pane munhu apinda. Akaramba akarara pamatress
yavo akatarisa kumadziro ari paFacebook.
“Maswera?” Victor akadaro kuti awane matangiro, hapana akamupindura, zvisinei akaenderera,
“Ah eh eh ndashaya wena, zvaramba wena, hapana chabuda wena mai Rumbie. Mari yese
hapana chandawana.” Victor akadaro achigara pagaba repaint raive rakatsigira musuo kuti
usavharike uye ndoyaive chair yababa mumba umu.
Barbra akasimuka nehasha ndokunomira pamusuo chaipo akatarisa baba vevana vake, akatora
tommy yake yaive pamusuo ndokupotsera murume kumeso, yakasvika ichimunanga paziso
rikachururuka misodzi.
Mudzimai akaridza tsamwa ndokuti; “Pane chawakamboita chikabuda here iwe, sara
uchigezesa vana ndinotsvaga meal yanhasi, mai Rumbie ndiwe, ndini baba pano!”
Amai vakabva vabuda, baba vakaisa poto hombe yemvura pa2 plate stove yavo kuti
vagogezesa vana nemvura inodziya.
Rumbie ange ane 5years, kahanzvadzi kake Tadiwa kaive kane 2 years.
Vana vakasara vachitamba nababa vavo, pasina nguva, Landlady wavo amai Gwenzi vakabva
vauya ndokugogodza pamusuwo, “amai Rumbie murimo here?”
“Ndini ndiri muno amaiguru, maswera sei?” baba vaRumbie vakadaro vachibuda panze.
“Ipai vana chingwa ichi, ndakachitenga nezuro namanje hapana achidya chingatoora.” Amai
Gwenzi vakadaro ndokutambidza baba ava chingwa chaive loaf rese, ndokuti; “Ko varipi amai
Rumbie, pane zvandange ndichida kuvabvunza.”
“Hoo, ah vaenda kumashops ……. avo vabva vadzoka …..” Vese vakacheuka amai Rumbie
vachipinda pachivanze, holding Wimpy food packs.
Mai Rumbie vakatambidza murume wavo ndokuti kuna mai Gwenzi; “Akoma zviri sei?” Barbra
akadaro akafara chaizvo.
Mai Gwenzi vakabva vati; “Mai Rumbie, ndange ndichitsvaga iwewe, huya kumba kwangu
titaurirane.” Madzimai akafamba vese ndokuenda kumain house, vakandosvika ndokugara pasi,
mai Gwenzi ndokuti;
“Ndange ndichitaura natete vangu nhasi, vanoda munhu anovabatsira kuFlea market kwavo so
ndakufunga zvangu.”
Barbra aingocheuka cheuka achitarisa mumba maLandlord vake umu, akabva atoti; “Ko
kamodel keshumba ako kawakaisa paFireplace pako wakakatenga riniko nhai vasikana, unoera
shumbaka iwe, uri masibanda. Iyo shumba yacho iyo haitosiri pure gold here?” Mai Rumbie
vakadaro ndokusimudza the lion golden statue yaive mumba maLandlord wavo.
“Hoo that, Gwenzi akabva nayo kwaMutare zvaitengeswa paHotel pavaigara vari kubasa” mai
Gwenzi vakatsanangura.
“Vasikana vamwe varume venyu vane rudo, akabva akutengera kukudza masibanda wake, a
golden lion for a golden wife wemoyo wake, wozodei?!” Barbra akaridza chikwee chake ega,
ndokuenderera, “hona imba yako, vamwe tichigara kunge tiri muzumbu rehuku.” Barbra
akadaro achifinyama nekudzungudza.
Mai Gwenzi vakazvimanikidza kuseka ndokuti; “Ko cottage yedu yakaitwa renovation manje-
manje yazoita zumbu rehuku zvarinizve?”
“I mean hamuna chirimo, no nice wall hangers semuno, kana bed chairo, imagine ndakaitira
vana vaviri vese pamatress, stupid me nxaaa” Barbra akazviseka achizvirova maoko.
“Ndomukitchen, ndomulounge, ndomu bedroom, but iwewe neni tiri same age 25 years tese, asi
hona ndave kutokuti maiguru you are even younger than me ne4 months dzese asi wave
Landlord wangu nxaaa. Pakunyengwa apa pane nyaya vasikana.” Barbra akadaro
achifemedzeka neshungu.
Mai Gwenzi vakabva vati zvakare; “Tete vangu vati vanoda munhu anotengesa paFlea market
yavo, kana uchida ungambowana mari yekudyawo nevana. And sezvandakambotaura, Gwenzi
ndakamuudza, tokubhadharirai O’Level munyore Science neMaths, handiti makati mune
English, Geography neHistory? Then toona zvekuita after the results, moitawo Course muwane
basa kudemba kwese kupere uku.”
Barbra akadzungudza ndokuti; “Iwe hausi kuenda kubasa wani, haisi nyaya yekuti inini ndiende
kubasa. Inyaya yekuti ndakaroorwa nerombe risina chinhu uye risingafe rakaita chinhu, don’t
run away from that. Victor chaanogona kudhakwa chete nekungorembedza nonsense
achingombeya mutown, chabuda hapana.”
“Mai Rumbie please …..” mai Gwenzi vakada kutsiura.
“Musade kundivhara vasikana. Iwe hauende kubasa, asi une mota yako, unopfeka Edgars
neTruworths. You have the fine things in life. wakazviwana nekutengesa paFlea Market
yavatete vaNhingi here tibvirei apa.” Barbra akaseka achirova mai Gwenzi maoko but the other
woman kept quiet, she was stretching her patience to the limit.
Mai Gwenzi vakafemedzeka vave kuita hasha asi vachiedza kuzvibata ndokuti; “Inga murume
wenyu akatotora licence wani, chasara kutsvaga basa.”
“Agoita gonyeti driver achienda 3 weeks nya nezvisikana? No. Handibvume zvakadaro, Gwenzi
akatambisa mari yake.” Barbra akadaro asina hanya.
“But seriously, dai tamboenda tese kuchurch, kumaprayers emadzimai, you need to talk to other
older women of God. Unamatire imba yako, your finances, uye nemafungiro ako about life in
general.” Mai Gwenzi vakazodaro.
“Ndiri busy ini, ndoiwanepi nguva yekundoterera nhema dzamunotaura kumachechi enyu aya.
Chingondiudza shamwari kuti waifambirepi kuti uwane murume anenge Gwenzi, then
ndonomirawo ipapo ndinhongwewo newangu. Nyangwe Mwari achida kundipa murume, ondipa
sei ndakagara naVictor seri kweimba yenyu, ndofanira kubuda kunze uko ndisangane neane
mari yake, ndigarewo sevamwe vakadzi vezera rangu. Handina kumbokunzwa uchiti
wakatsanya kuti umuwane ini. Ini ndini ndonzi gore bha, praying, fasting, tithing, seeding kuti
Victor aitewo mari sevamwe varume, noo sahwira handina nguva yezvisina maturo.”
Vese vakambonyarara, pave paya mai Gwenzi vakazoti; “It’s ok mai Rumbie, ndave kubika.
Ndange ndakudaidzirai zvangu nyaya yebasa, but it’s ok kana musingaride. Toonana
mangwana.” Vakadaro vachisimuka kuti roja ravo ribude.
Mai Rumbie vakabva vabudawo voenda kumba kwavo. Vachingobuda, vaGwenzi vakabva
vapinda mukitchen maive nemudzimai wavo, vachibva kubedroom kwavaive vakazorora
listening to the women’s conversation.
“What nonsense was that about? Wakati mai ava vakabvepiko?” VaGwenzi vakabvunza.
Mai Gwenzi vakambonyarara ndokuzoti; “Vanozivana namai vatinopinda navo church vaye, you
remember even pavakauya vainzi vaibva SA vasina pekugara so ndaifunga kuti ndezve 2 or 3
months.”
“Yes that’s what you said, but tave kutopedza gore vari pano. How many times tichivarandutsira
vachirova murume, how many times vachiita days vasipo leaving such young kids alone.
Murume wacho anodhakwa zvake, but at the end you understand him, mukadzi haaite uyo.”
Mai Gwenzi vakangodzungudza ndokunyarara vocheka tomatoes okuisa munyama
yavaikangira mhuri yavo. VaGwenzi vakabva vati; “Iwe wange uchipindura zvakanaka nekuti
you knew I was in, so am just thinking kuti dai mange muri mega waiti chii?”
“Daddy please, I know she can be a handful at times, but she needs help, but zvaanoita
zvineiwo neni izvozvo.” Mai Gwenzi vakazodaro.
“Ihama dzako, uvape 2 months notice, she is bad influence.” VaGwenzi vakadaro vachibuda
mukitchen.
Barbra akasvika ndokuwana baba nevana vachiwondomora chips and chicken zvekuWimpy like
hungry stray dogs. Akatarisa ndokufa zvake nekuseka asi hapana chaakataura.
Victor akabva azoti; “Mwana waamainini vekuRujeko uko ashaika, saka baba Madziva, sekuru
vaRumbie vachauyawo mangwana anochengetwa kumakuva ekuRujeko ikoko.” Mai Rumbie
akambopindura WhatsApp message yaive pafone pake akanyarara achingosekerera ndokuzoti;
“Mandisiirawo here or madya zvese, saka iwe Victor wakagara ipapo uchidya Wimpy uri kuti
yabvepi?” Barbra akaseka chaizvo achidhonza nzeve dzemurume wake.
Victor paasina kupindura, Barbra akabva ati; “Utaurire baba vako vauye nechibage chehupfu
nehuku kana mbudzi chaiyo, tofa nenzara pano.”
Victor akati; “Oh saka wazvinzwa hako kuti kune rufu mumhuri?”
“Iwe usandinetsa, tinoenda kurufu rwehama yaStepmother kuti zvadiiko?” Barbra akawaridza
pairara vana, ndokutora fone yake ondorara paange awanikwa nemurume akarara. Akaisa
maear fones munzeve ndokutanga kubaya baya phone yake achizvitandadza.
Victor akazoteverawo kundorara padivi pemudzimai wake, mushure mekunge adonha pagaba
repaint paaive akagara paye achitsumwaira, achidzvova Wimpy spice, apa chipepa chetomato
sauce yeWimpy chiri pamuromo.
Pazuva rakatevera, Barbra nemhuri yake yese vakazomuka 0900hrs dzatochaya. Akatarisa
mumba akaona mune chingwa chakange chauya namai Gwenzi nezuro wacho. Akavhura vhura
magaba ake ese raimbove nesugar neraigara tea aaingoziva kuti chero mapete ave
kunyenyeredza, ndokuita ekupotsera achidonhera pasi achiita noise yakazomutsawo baba
vemba.
“Chiiko mai Rumbie?” Victor akadaro achivhundukaa ndokumuka ogara pasi. Barbra haana
kupindura. Akaisa mvura yetea pastove asi asina zvake zvekubikisa tea yacho kunze
kwechingwa chakange chauya namai Gwenzi. Akatsvaira tsvaira mumba make nekurongedza
zvimwe zvaitambiswa nevana. Akabuda ndokuenda pafence;
“Rudo! Iwe Rudo urimo here?” Barbra akadaro akazembera fence yemuvakidzani wavo.
Ambuya Tumbare, amai vaRudo ndovakabva vabuda, vaive ambuya vechikuru vangaite
makore 55.
“Mamuka sei mamma.” Barbra akadaro pavakabuda vachifamba vachiuya paaive.
“Ndamuka wamukawo amai Rumbie mwanangu, vari sei vazukuru vangu? Nemukwasha baba
vaRumbie vari sei?”
“Vanofara havo,” Barbra akadaro ndokumbonyarara. Ambuya Tumbare vakabva vati; “Rudo
aenda kuRhodene, kune Birthday party yaadaidzwa kundoita décor dzake saka anotodzoka
manheru. Mazuvano ari kuwana business chaizvo, Mwari vakanaka. Dai makatoramba
muchishanda mese mwanangu mai Rumbie.”
Barbra akabva ati; “nzara mamma, ndipeiwoka sugar, mukaka nematea bags kana coffee, ndiite
tea.”
Ambuya Tumbare vakadzungudza vakatarisa amai vechidiki ava, vakapinda mumba mavo
ndokudzoka nezvange zvakumbirwa nemuvakidzani wavo. Asi vasati vamupa vakati; “Uchauya
riini tiende kumusika kundohodha miriwo titengese mwanangu? Musha mukadzi shandira vana
vako.”
Barbra akaramba akanyarara akatarisa zvaakange avakumbira, ainzwa kuda kuvabvutira kuti
achienda.
“Ko chiita hakoka zvechirungu zvenyu zvekubaker makeke, masamoosa nemapie. Madzimai
aye varidzi vemarestaurant ari kuRank uku, veChikari Chegusha Restaurant neMudzungairi
weShambochena Restaurant vanotora votengesa, vanotoita kuhodha kwauri. Vese ndinopinda
navo church ndikataura navo vanotora zvinhu zvako. Ungakudza vana nekukumbira sugar
yemusi iwoyo here mai Rumbie mwanangu?”
Barbra akafemedzeka ndokuti; “Ndichaudza Victor auye mumutsvagire basa racho, anoitei.”
Ambuya Tumbare vakambopererwa ndokuzoti; “Ndotanga newe mwanangu, baba vaRumbie
ndichataura naye zvakewo.”
Barbra akaseka kachikwee kasina zvakaireva ndokuti; “Nhasi muchembere makadziya, mvura
yandasiya ichiboiler yotopera moms, ndipei ndiende, tozotaura time time.” Ambuya
vakatambidza Barbra zvaakange akumbira ndokubva atambira ndokufamba achibvapo.
Barbra akandosvika ndokugadzira tea ndokugara vese vonwa.
“Ambuya ava nhai, kunditi ndibikire Chikari Chegusha Restaurant inini? Kuti ndinoshanda
muRank inini manje?”
“Vanetawo nekukumbirwa.” Victor akadaro achindonyera chingwa chekwaGwenzi mukanwa.
Akaenderera achiti; “Wadii kubika zvinhu zvacho ndonotengesa zvangu ini.”
“Hoo, ah ndichaona.” Barbra akadaro ndokutora fone yake overenga message.
“Diana, mwana watete vangu ari kuJorburg atumira mari, ndichandotora pabus manheru, hanzi
rosvika kuma10 usiku. Tigoendaka, utsvage transport. Kuda ndingambodyawo fish and chips.”
Vakazopedza kudya vanyarara, Barbra rumwe ruoko rwuri paPhone rumwe rwakabata cup of
tea.
Manheru emusi uyu, Barbra naVictor vakandomira paExor Service Station paimira mabus aibva
nekuenda kuSouth Africa. Pakabva pasvika mabus maviri akatevedzana, vakambomira mira
kuti vagondobvunza driver wavange vaudzwa. Pakabuda vanhu vaive mubus kuti vatenge
chikafu nekuenda kuzvimbuzi zvaive apa, Barbra akanzwa odaidzwa, akacheuka ndokuona ari
sahwira wake waakange adzidza naye O’Level kuBanket kumusha kwake.
“Ah Connie vasikana ndiwe?” Barbra akadaro vachimbundikirana nekufara kukuru.
Vakadhonzana ndokufamba vachibva paive naVictor.
“Ko uri kubva kupi?” Barbra akabvunza.
“KuSouth sha, ndange ndanotenga zvinhu zvemuSalon yemurungu wangu, ko iwe unoitei
kuno?” Constance akadawo kuziva.
“Ndogara naVictor. Inga hausi kuita, vasikana, vamwe zvenyu zviri kufaya veduwe. Hona
kunaka kwakaita weave yako, ko face yako kuita chocolate so unozoreiko vasikana.” Barbra
akadaro achiyemura shamwari yake.
“Iweka hauchinje zvedi, kuda zvinhu kwako. Unoshanda kupiko or wave kuita business
reEvents Management …..?” Constance akabva adimbudzirwa.
“Ndipe number dzako, ndoda kuzouyawo Harare shamwari, ruzevha rwemuno handichada,
ndakazviparira kutevera rombe rechikaranga iri.”
“Ok, tora number dzangu ugouya shamwari, unozowanawo zvekubata bata muHarare.”
Constance akadaro ndokupa shamwari yake cell number yake.
Vakaparadzana Barbra ndokuenda kwaive nemadriver. Akapiwa mari R2500 nepaper bag
rekuPep Stores raive nehembe dzevana. Vakabva vadzokera kumba kwavo.
Barbra akange aberekwa ari ega, baba vake pavakashaya ane 4 years, amai vake
vakandoroorwa kuMalawi vachimusiya nehanzvadzi yababa vake kuBanket. Vatete ava
ndovakazomuendesa kuchikoro kusvika apedza Form 4, aive nezera rimwe chete nemwana
wekupedzisira wavatete ava ainzi Diana.
Diana paakaita degree rake reAccounting kuNUST akabva aenda kuSouth Africa kwaakawana
basa. Vaiwirirana vachipota vachitumirana zvinhu, asi kuzoramba vosiyana upenyu nemaitiro,
nyaya dzakazoramba dzoita shoma.
Barbra paakange akamirira maresults eO’Level, akabva asangana naVictor muBanket, murume
akange ashanyira shamwari yake. Vakomana vakange vachangobva kuSouth Africa
vachiratidzika zvakanaka chaizvo, vachitengesa maCellphones nemaDVD players. Musikana
akatorwa moyo akati Jozi here I come. Paakaita pamuviri, akatizira Victor, mukomana
akakwanisa kundoonekera achibvisawo pashoma paaive napo kumhuri yemusikana ndokubva
vaenda vese kuMzansi. Ndokutanga imba yavo kwavakaita, nekuzoberekwa kwedangwe ravo
Rumbidzai.
KuJohannesburg, upenyu hauna kuzondoita sezvavaitarisira vese Barbra naVictor, mukadzi
proved to be high maintenance zvekuti twumabasa twaimboita Victor ari ega achikwanisa
kurarama, twange twotadza kubatanidza upenyu hwavo. Diana akazovabatsira nemari kuti
vadzokere kumusha ndokubva vandosvikira muMasvingo, pamba paGwenzi, vachiita
sevaingoda pekugara short time kuti vagoitawo zvimwe, asi hapana chakazobuda.
Barbra akarara achifunga zvaakange ataura neshamwari yake. Akazvipira kufuratira dhorobha
remakaranga nemhuri yarakange ramupa kuti andogara muCapital City atangezve upenyu
hutsva semhandara.
TOO BUSY TO DIE
Stories by: Rutendo L. Nzira
CHAPTER 2
Waive musi weSvondo muguta reHarare kuAvondale, vanhu vaibuda muchurch yaitirwa muHall
yaive muAvondale makare Yaive Euthenia Ministries yaitungamirwa naBishop Isaac Gambiza.
Bishop vakange vakamira pamusuo wekereke yavo vakatarisana nemudzimai wavo, vanhu
vese vachipfuura nepakati pavo vachikwazisa vakuru vesangano ravo. Vatungamiri vechurch
ava vaisekerera munhu wese aipfuura apa, vamwe vaikwazisa nemaoko, vamwe vaiita hugs,
vamwewo ndovaingotyora muzura vari kure. Asi munhu wese aibva ambopfuura nepedyo
naBishop nemudzimai wavo.
Euthenia Ministries raive sangano range rave nemakore mashanu chete ravambwa, rakatanga
vachingosangana vanhu vashoma vachinamata pakati pevhiki. Kusvika vakwanisa kumisa tent
yavo, nhasi vange vave muhall hombe yavaiparidzirana nekushumira musi weSvondo wega
wega. Bishop Isaac Gambiza vaive murume wechidiki aive ne32 years, mudzimai wavo mamma
Doris vaive ne28 years. Vari vaviri vaitungamira sangano iri.
Chaitora moyo pasangano iri maive nevechidiki zvakanyanya, ages 16 – 40 years chete,
nevashoma shoma vaive vechikuru uye Elders in this church. Uye hapana aiuya netsoka,
chivanze chese paHall apa dzaive mota dzega, dzaienderana nevanhu vaive muchurch.
Panguva apo Bishop vaiparidza munamato uchienderera, paive nevakomana vaibhadharwa
naBishop pachavo kuti vapukute mota dzese dzavatendi panze, kubvisa guruva.
Zvaitozikanwa kuti muguta Sunday afternoon ukaona mota yakachena, ine shining body and
wheels, mutendi wekuEuthenia Ministries, sangano revechidiki, the young, educated, successful
and prosperous ones, ndovaive vateveri vaBishop Isaac Gambiza.
Euthenia, a Greek word that means prosperity, abundance and plenty, mwari wepfuma yese,
the god of all silver and gold, mwari wezvakawandisa, zvizhinji. Ndiye aiparidzwa paEuthenia
Ministries apa. Saka musangano iri hapana aitambura, vana vesangano vaibudirira kumabasa
avo nekumabusiness avo.
Kana zvafaya kumubati wemaoko avo, vaiuya vachitenda Mwari nekupa muchurch mavo, vaiita
makwikwi ekubudisa mari yaipinda muBank Account resangano. Vese vaishanya kana homwe
isina kumira zvakanaka vamwe havaizodzoka zvachose. Asi vaivemo vaifara nezvaivemo uye
zvaivaitira, nhamo nekushaya chaive chitema musangano iri.
Mudzimai waBishop Gambiza, Doris aitsigira mharidzo dzemurume wake, dzekubudirira. Kana
usina mari, zvaireva kuti hauna Jesu. Vakadzi vemusangano umu vaitevedzera mai Bishop, mai
Mufundisi wavo kugona kugeza nekupfeka zvemhando yepamusoro soro. Vaiita misangano
yavo, yeWomen’s Fellowship, Kitchen parties, Baby Welcome parties uye Birthday party ramai
Bishop raiitwa gore negore kumahotel akaita seRainbow Towers neJameson Hotel vachivapa
zvipo nekuvakudza pahutungamiri hwavo.
Mrs Doris Gambiza vaive mudzimai wanhasi aigona kudzidzisa madzimai esangano rake
kugeza nekubata dzimba dzavo nevarume vavo zvakanaka.
Birthday raBishop Isaac Gambiza raiitirwa paOrphanage kana pasi peBridge pane maStreet
kids vodya nekunwa nevana ava. Paidaidzwa vanhu venhau vese zvavo vaiwanikwa muHarare,
kusanganisira nemaAdmin epaFacebook neepaWhatsapp kuti nhau dzisvike kwese kwese. Uye
nyika yese yaifanira kumboita svondo rese ichigovana nhau nemifananidzo yaBishop Isaac
Gambiza on all social networks.
Nerimwe gore Bishop vakapotsa varegera kuita birthday party yavo nekuti kwakange
kwashaikwa weZBC aiuya kuzotora nhau nemifanikiso, Bishop vachidya nekunwa nevana
vanoshaya vanorara pasi peBridge. Izvi zvairongwa nechurch administration yeEuthenia
Ministries, under the instruction yaBishop pachavo.
Hutungamiri hwechurch iyi hwakange husina kukura aiwa, kunze kwaivo Bishop nemudzimai
wavo, kwaivewo naPastor Richard Dube nemudzimai wavo Mrs Molly Dube, vaivewo vechidiki
vaishanda musangano iri.
Aive secretary wechurch aive musikana ainzi Hazel Moyo aive neCompany yake yaigadzira
madrinks muHarare makare, ndiyezve aive mukuru wePraise and Worship team. Tsikombi iyi
yaiimba zvekuti waiti ane magitare mumuromo here, ndiyezve aive Personal Assistant
waBishop.
Ko iyo Euthenia Ministries yakambotanga sei chaizvo…….
Isaac Gambiza akange aita degree rake reSocial Work paUniversity of Zimbabwe, akaita
makore matatu basa richinetsa kuwana. Akazowana basa maTM Supermarket maive ari Till
Operator, aingowanawawo mari yekuti ararame ari ega, sejaya.
Aiendawo kuminamato nevamwe muEvangelical Church maakange akurira. Aigona chose
kuparidzira vechidiki nekutungamira Bible Studies, uye Counselling yaakange adzidza paaiita
degree rake yakaita kuti vana Mufundisi vamufarire vachiendesa vanhu vese kwaari kundopiwa
ruzivo nekubatsirwa kuronga zveupenyu hwavo. Ruzivo rwake rweCounselling techniques
nekuzobatanidzira neShoko raMwari zvakamuita munhu ane chiremera pakati pevezera rake
nekuvakuru zvese.
Paakaona nevanhu vakuru vakaroora nekuroorwa vouyawo kwaari, mukomana akamera
manhenga ePeacock chaiwo. Akati ko izvi zvikandiitisa mari ndinenge ndakanganisa chii,
kushandisa chipo changu chekugona kutaura, ndichiudza vanhu zvavanoda kunzwa. Asi vakuru
vesangano havana kuzvitsigira zvachose nekuti Church yavo yaiita free Christian Counseling.
Isaac akatanga kurwadziwa nekuti dzimwe nguva aifamba netsoka zve5km ashaya mari
yeCombi, osvika hembe yake yakatota nedikita muhapwa nemusana, apa hembe yacho yange
yasefeka, collar yapindurudzwa kuti awane chekupfeka. Bhutsu yake yange yapera divi,
yanzwawo nekusonwa kuti awane kutingura netsoka mutara achienda kubasa nekuchurch.
Aiwana pachurch pane vanhu vakaita mudungwe vachida kupiwa mazano naye. Apedza
kuvabatsira zvavaigutsikana, vaipinda mumota dzavo voenda iye ozotevera netsoka. Mufundisi
vaisara vomutenda nemuromo, vaimubata musoro vomunamatira voti Mwari achakukomborera.
Paakazoita mazuva matatu achirara nenzara iye asiri kutsanya, akavhura WhatsApp group
rake. Group iri raive revanhu vekuchurch vese uye vakawanda vamwe vaaive nemacell
numbers avo vakange vangouya kuChurch for Counselling. Mukomana akagara pasi
ndokutevedza mazita evanhu vese vemuChurch aaive nawo achibvisa vaive nezvigaro
muchurch nevaaiziva kuti vainyanya kuda church yavo, uye vaiwirirana nevakuru vesangano.
Akabva adaidza vanhu vese kumunamato padyo nekwaairoja. Sezvo wese aiuya pachurch
aiendeswa kuCounselling kunaMukoma Isaac, vanhu vakawanda vaive vatsva musangano
vakatevera invitation iyi vakaenda kumunamato kwaMukoma Isaac.
Pamwedzi wetatu achiita minamato iyi, vanhu vaibvisa zvipo after every prayer session. Izvi
zvakabatsira mujaya uyu akaona chiedza pane zvaakange atanga, mbiri yekuparidza kwake
neCounseling yake yakafamba zvekuti vanhu vange vongoudzana kuti kwaita mukoma Isaac
uko.
Pakazouyawo baba namai Maruta vaive nemwana wavo mukomana akange ane 15 years.
Akange ave kunyura mune zvinodhaka, drug addiction chaiyo. Vaida kuti Mukoma Isaac
amunamatire. Isaac akaita munamato akabata mukomana uyu musoro asi aiziva zvake kuti
waive munamato nhando, hapana zvawaizochinja pamukomana uyu, akange asina simba racho
rekuita minana paupenyu hwevanhu.
Akabva azoti kuvabereki ava vamupe nguva, aida kuzoona mwana wavo zuva nezuva kwe 2
hours, everyday, for the whole month. Saka mai Maruta vakange vondotora Mukoma Isaac
nemota yavo kubva kuTM Supermarket kwaaishanda kana achaisa, voenda naye kumba
kwavo, ondoita 2 hours vari vaviri nemwana wavo, vozoperekedza mukoma Isaac kwaairoja
kuBudiriro.
Apa Isaac akavhura mabhuku ake from the Zimbabwe School of Social Work akaverenga how
to rehabilitate a drug addict at home. Akafunga zvese zvaaidzidziswa pa4 years dzaaive
paGomo refundo akazviita pamukomana uyu. Aizopedzisira nekuita munamato nemhuri yese,
zvekuti vabereki vakafunga kuti mwana wavo aibviswa mademon.
Mushure memwedzi wese, mukomana uyu akasiya zvese zvinodhaka, uye akange owirirana
namukoma Isaac vachienda kuminamato vese. Baba namai Maruta vakafara chaizvo
vakatengera Isaac mota yavakati yakange yaita mari yakafanana nemari yavakange vanzi
vazobvisa kuSouth Africa kuRehabilitation Centre kwainzi mwana wavo aende for Therapy.
Vakamutengerawo tent raiungana vanhu vachinamata. Isaac akabva atanga kuita minamato
yake chero nemusi weSvondo akasiya zvekuchurch kwaaimboenda.
Isaac akamboita nguva achitenderera mumaPentecostal Churches ese matsva ange
angotekeshera neguta achiona kuti vamwe vaparidzi vanozviita sei. Akabva azotanga kuita
zvake ega, Euthenia Ministries ichibva yabarwa. Baba namai Maruta vaive vamwe vevakuru
vashoma vakavamba church iyi.
Isaac aivakudza pese pese, vaive Elder and Elder Mrs Maruta ndovaaitanga kukwazisa
nekumbotaura nezvavo asati ataura chinhu ari paPulpit. Ndovega vaaibvumira kubata musoro
wake akapfugama vachimunamatira asati apa mharidzo yemusi iwoyo, semaElders muEuthenia
Ministries. Ndovaaitanga kutenda Mwari muminamato yake paainamatira sangano rake.
Vaigara kumasofa mberi kwechurch, vaive vabereki vake muchurch.
Paakaona madzimai nevasikana vonyanya kumutevera, nekumudaidza kumaDinner pakati
pevhiki, kumuvigira packed lunch, kuzomuwachira nekutsvairira kuFlat kwaange ogara ega,
akabva afunga kuroora. Kana baba namai Maruta ndoyange yave nyaya kuti dai achiroora
sangano rawana amai, uye iye awana chiremera, achidaidzwa kunzi Baba Isaac Gambiza
kwete Mukoma Isaac.
Musi weMuvhuro wega wega, Isaac aienda kuBank kundoisa mari yeTithes, Offering and
Seeding ega, pacounter yeBulky Deposits paive nemusikana wechidiki aishandapo nguva
dzese. Sezvo counter iyi yaive yevemari, vaigara pasi mari ichiverengwa, votombopiwa coffee
and biscuits kana juice basa richiitwa.
Mukoma Isaac vakawana nguva nemusikana uyu kusvika vave kuonana kunze kweBank.
Ndokuroora kwavakaita Doris, mudzimai wavo, vakasarudza aive kunze kwechurch zvachose
kuti vakange vazviitisa makwikwi vega vashaye chekutaura.
Doris akagutsikana achipfimbwa nemukuru wesangano raive nembiri mazuva aya.
Paakazondoratidzwa kuna baba namai Maruta, vachizoperekedza Isaac kundomuroora, akati
aya ndiwo makomborero vasikana, munongonzwa imi. Vakabva vaita mwana wavo wekutanga
gore iri.
Kumusha kwaIsaac kwaMutare, vabereki vake vakafarawo chaizvo nekubudirira kwemwana
wavo, after years of crying, complaining and frustrations. Pavakaona achitsigirwa nababa namai
Maruta, vairatidza kuve vanhu vakuru vanoremekedzwa, vakafara nazvo uye vaipotawo
vachishanya vachizoona dangwe ravo achiparidza musangano rake.
Sisi Hazel vakange vatanga kuuya kuchurch apo mai Gambiza pavaive kumasungiro
vandosununguka mwana wavo wekutanga. Bishop Isaac vaive vega mumba mavo kuAvondale,
ndokwavakange vazotenga imba yavo mushure mekuchata, padyo nepavaiitira church yavo.
Sisi Hazel vakauya vachida counselling, vaive neCompany yavo yaigadzira drinks, mamwe
were to dilute mamwe ari ma ready to drink, vaiendesa kumasupermarket eMashonaland yese
zvayo, mari yaisave dambudziko kwavari.
Nhamo yavo vakange vave ne30 years asi vasina murume airatidza kuda kumisa imba navo.
Sisi ava vakaeredza misodzi pamberi paBishop I. Gambiza vachizvidemba kuti vave
kungopfimbwa nevarume vakaroora chete, ko vasina vakadzi vacho vaivepiko.
Bishop Isaac vakataura nasisi ava, vakavadzikamisa, vakakwanisa kuti mhandara iyi ipinde
church nekubvisa chegumi chebusiness rayo muEuthenia Ministries. Musikana akabva apinda
muPraise and Worship semunhu ange agara achingozvigonera kuimba. Kana kuchikoro
aitodaidzwa kuti Mariah Carey nekuti huro yake yaibvuma kubudisa manzwi akakwenenzverwa
mushe mushe.
Sisi Hazel vakawirirana naPastor vakavimbiswa kuti vachasanganiswa nemurume achavaroora
musangano iri. Asi sezvo murume uyu ange asati avepo, sisi Hazzie vaikwanisa zvavo kupota
vachitandadza Bishop, vachivafadza nekudziyisa nhovo yavo, especially mazuva
avakasangana aya mai Mufundisi vasipo kudai. Pakadzoka mai Mufundisi vakabva
vangosanganiswa vachinzi new member aidawo orientation yamai Mufundisi.
Vakadzi vakawirirana chaizvo kusvika mai Mufundisi vatomuti aite Personal Assistant
waBishop, nekuti Tithes yake yaikwana kuti Bishop vatenge ticket rendege vachienda South
Africa, Nigeria kana America kumisangano yevabati vebasa raMwari. Nedzimwe nguva Bishop
vaienda naPA wavo vari vaviri, amen! Amai Bishop vosara vachitonga sangano vachibatsirwa
naElder and Elder Maruta.
Bishop Isaac vaisada kuzivikanwa nezvehumwe hukama hwavo nasister Hazel, ivowo sister
Hazel vaisadawo kuzivikanwa nekuti vaida kuti vazowana murume musangano vagoitawo white
wedding semhandara yaive ine tsika nehunhu hwakarurama. Saka vese vakaona kuti
kuwirirana kwamai Bishop naHazel chaizvo ndokwaizovavhara mashoko nekutaura kwevanhu,
uye kuvhara maziso evaye vaida kuonesa zvisinei navo.
Hazel pese paaienda kunze kwenyika nebusiness rakewo, aitengerawo mudzimai wemukuru
wesangano mbatya netumwe twechikadzi twusingaperi. Izvi amai vaizvifarira nekuti vaidawo
zvekukurira vanhu vese kupfeka imports musangano ravo.
Pastor Richard Dube ndovaive Assistant Pastor muEuthenia Ministries, mutevedzeri waBishop
Isaac Gambiza. Pastor Richard aive mumwe wevakange vatanga sangano vachiri mukoma
Isaac. Murume uyu aive Public Relations Officer kuNational Foods.
Pastor Isaac vaive ivo vega vaive full time Pastor musangano mavo, vamwe vese vaivabatsira
asi vaine kubasa kwavaienda, nekuti vaisada zvekugurirana chegumi chaibviswa nevatendi
nevanhu vese vese.
Mari yese yaipinda musangano yaive yake, Isaac Gambiza, chaive chipo chake chenjere dzake.
Kana paine aisvotwa nemaitiro aBishop musangano iri, airatidzwa musuo, apa musuo wacho
waigara wakavhurika kuti vanopinda vapinde, vanobuda vachibuda vaende zvachose, no regret
no remorse, Bishop was not going to miss them, amen.
Once in a while vaipawo assistant Pastor wavo some allowances uye kumbomubvumirawo kuti
aite matrip ane chekuita nesangano. Izvi zvaimufadza chaizvo zvaiita agare achiterera mukuru
wake.
Mudzimai waPastor Richard, Molly, aitevedzerawo mai Bishop vake chaizvo, kukudzwa
kurumbidzwa nekupiwa zvigaro zvepamusoro pese pavaifamba kwaimufadza chaizvo. Zvakaita
kuti afarire rwiyo rweRoma rwavanoimba vachiti “Kwaziwai Maria makakomborerwa pakati
pevakadzi”, iye zvake pane kuti ati Maria, aizoti Molly….

TOO BUSY TO DIE


CHAPTER 3
Stories by Rutendo L. Nzira
Sekuru Madziva, baba vaVictor, vakasvikira kuRujeko kwaive nemwana wemunin’ina
wemudzimai wavo akange ashaya. Vakawana mwanakomana wavo Victor aripowo nevamwe.
Sezvo mudzimai waVictor akange asina kuuya, vakafunga kuenda kwaMajange kundoonawo
vazukuru vavo. Vakabva vaenda vese nemun’ina waVictor, aive dangwe rastepmother wake
ainzi John.
Vakawana muroora akarara zvake vana vachitamba panze, Victor akatanga apinda ega
ombondotaura nezvekusvika kwevaenzi achiisawo grocery raange atenga mumba. Vakapinda
mumba vakandogara vese ndokubvunzana upenyu. Pavakaita nguva vakanyararisana, Victor
akavhura coca-cola yaange atenga ndokupa vaenzi vake avo vange vongotaura taura
nevazukuru, miromo yakaoma.
Victor akabva azoti; “Eeeh, mai Rumbi, ndatenga some chicken cuts, unogona kungotibikira
kasadza tigodzokera kunhamo kune vamwe.”
“Ko imi bamudiki John, message yangu haina kusvika here?” mai Rumbie vakadaro vakatarisa
munin’ina wemurume wavo.
“Message yekutiiko nhai maiguru?” John akadaro achisekerera amaiguru vake.
“Kuti tofa nenzara pano nhai, mukoma wenyu haasi kushanda, dai matiunzirawo chibage
chehupfu nenyama, mbudzi yese zvayo.” Barbra akadaro ari serious.
Sekuru Madziva naVictor vakatsikitsira, babamudiki vachibva vati; “Sorry amaiguru handina
kuwana message iyoyo. Takabva kumusha tave kumhanyira nhamo, next time ticharongedza
izvozvo.”
Barbra akaseka achizvitsvaira maoko ake; “Zvemumusha maMadziva zvakaoma, kuroorwa uku,
unoonerera chokwadi. Saka message dzekuti munhu afa ndodzinosvika, asi dzekuti vanhu
vanoda kurarama hadzisvikeba? Serious? Saka tototanga tafa kuti muuye makarongedza
something pano apa …..”
“Mai Rumbie, simuka kani nhai uchibika, tinoda kudzokera.” Victor akadaro ave kuda kuti
vachibuda umu. John akabva anyarara haana chaakapindura.
Barbra akaridza tsamwa ndokuti; “Iwe Victor tikwanire apa, ndibaba vako ava, ngavazive kuti
vazukuru vanorara nenzara everyday pano apa. Imi sekuru Madziva, mukadya machicken cuts
ari kutaurwa acho moziva kuti vazukuru vanorara nenzara nhasi namangwana nezuva
richatevera. Iko muri kuda kubikirwa imimi muri kunhamo, why?”
Pakashaya akapindura izvi, muroora ndokuenderera, “Imi masiya ndiro dzaverengwa kuRujeko
uko, dzenyu included, saka munoda kudyirei pano? Muchawana matumbu nemaguru
zvagwamba, nhunzi dzadonhera mumapureti enyu. Tozobika kana mashanya pano, nhasi
mauya kunhamo itai zvekunhamo.” John akaridza tsamwa ndokubuda panze andomirira baba
vake.
Sekuru Madziva vakabva vati; “Ndazvinzwa muroora wangu, tichatumira chibage chamuri kuda.
Ndafara ndaona vazukuru vangu. Regai tichidzokera kunhamo kune vamwe.”
“Ehe endai kunhamo, semi vakuru vemusha madheka atosetwa kudhara, vanotoshaya kuti
sekuru Madziva vari kupi. Motononotsa vana Mufundisi kudya vakakumirirai pahigh tebhuru.”
Barbra akadaro achisimuka.
Sekuru Madziva vakabudisa $10 ndokutambidza Barbra vachiti; “Mozotengerawo vana
zvavangade.” vakasimukawo ndokubuda. Barbra akatambira mari iya ndokuisa pasi pepillow
yake ndokufamba achibudawo navo.
Barbra akabata Victor ruoko ndokuti; “ko iwe mari yawatengesa mapaperbag maviri ese aya
waiwana kupiko?”
“Inga Diana akatumira marands nezuro…..” Victor akadaro.
Barbra akaita seachadonhera pasi nehasha, Victor akafambisa achitiza mudzimai wake
ndokundobatana nehama dzake vange vatove kuroad vamumirira.
Victor akati achisvika John ndokuti; “Mukoma munozoti hatikudei hatikushanyirei, haaa,
mukadzi wenyu akataura so baba vasipo ndichamurova makajaidzana zvisina kunaka. Ndiri
kunzwa kuvaviwa nekuda kumurova, ndichamurova chete, haazowondomoki kutaura
zvawakamujaidza izvo.” Sekuru Madziva vakangodzungudza ndokupukuta kumeso kwavo
chinyararire.
Barbra akasara ndokuvhura handbag yake, akaona kuti imwe mari yakange yatorwa, akaita
hasha akatarisa mapaperbag ange auya naVictor. Akabuda panze achida kutevera murume asi
Combi yavakakwira yaitosimuka. Akasimuka akatsvuka maziso nehasha zvekuti kana vana
yaingove rough yega yega.
Manheru pakadzoka Victor, akangosvika achitambirwa nemubvunzo; “Watora mari from my
handbag, tange tataurirana? Wandibira mari kuti utengere baba vako sadza ivo
vakambokutengera riini?”
Barbra akatora leather belt raivo baba vaRumbie ndokutanga kurova murume seairova pwere,
Victor aingotenderera mumba achiti; “Sorry amai Rumbie, sorry Barbra.”
Murume akazokwanisa kubuda ndokundosenerera paFence yana mbuya Tumbare
ndokundogara mumba mavo. Barbra akatevera ndokundomira pamusuo wavo achiti; “Kana
usina $20 iyoyo usatombodzoka zvako kumba, utsvage kwekurara.”
Ambuya Tumbare vakatuma Rudo kuti aise mvura inopisa kuti atove Victor ange azvimba muviri
wese. Ndokwaakazodya sadza manheru aya, ambuya vakaramba vachimuti adzokere kumba
kwake asi akatya, kusvika Rudo azomupa $20 ndopaakazoenda kumba kwake.
Victor naBarbra vakaita mazuva maviri vasingataudzane, Victor aifunga kuti mudzimai ange
akatsamwira mari, izvo kwaani, mudzimai ange afunga kusandura upenyu hwake. Aitya
nekuzeza zvaaida kuita asi akange azvipira kusiya zvese. Aizobuda muMasvingo achisiya
zvese murume nevana achienda kundotanga upenyu hutsva hwaaifunga kuti hwaive nane
husina nhamo nematambudziko aaiona pakugara kwake naVictor Madziva.
Hapana waakada kutaurira nyaya yake, aiziva kuti hapana anomutsigira pane zvakadai. Saka
akaita fungira mumoyo rwendo rwembwa. Paakabvumirana naConstance musi wekuti aende
Harare, akabva arongedza ndokusiya vana nababa vavo. Ange agara ari maitiro ake kuswera
asipo achisiya baba nevana, saka Victor akangoti amai vachadzoka.
Barbra akandomira kuhighway kwaimirirwa private lifts aienda kuHarare. Pasina nguva
pakamira Benz ndokuridza hooter. Vamwe vaidawo kuenda Harare vakangomhanya asi muridzi
wemota akazodzokera kumashure ndokundomisa mumakumbo aBarbra.
“Hie gorgeous, we meet again.” Barbra akaramba akatarisa mutyairi uya achifunga
kwavakamboonana. Paakamuziva hana yakarova ndokubva aseka seka. “Hoo ah, ndimi,
machinja mota nhasi?”
“Yaa wandizivaka, ko woti ndakutengerawo Wimpy, wotiza nemakumbo, sei kudaro iwewe?”
Barbra paakaona mutyairi asina hasha, akanyemwerera ndokuti; “Ndakange ndiri kumashure
nenguva wena, asi nhasi ndiripo.”
“Manje ndiri busy, ndiri kumhanya kuMashava now, then ndoenda Harare around 5 manheru, I
always drive at night. So handizive ndokuona nguvai beautiful? Or ndokubata ndadzoka after a
week.”
“Toenda tese kuHarare manheru acho, ndange ndichitotsvaga hike so.” Barbra akadaro.
“Ka1 gorgeous, ndiwe une number yangu, yako wakaramba nayoka, call me around half past
four, tiende kuSunshine City.” Benz yakapfumbura huruva ndokuenda. Barbra akaita
sechaumburuka pasi nekufara. Akandopinda maTM ndokutenga chikafu chekudya masikati aya,
ndokumbodzokera kumba kuvana ondoswera navo samai kwavo.
Manheru aya, Victor nevana vakadya zvakange zvatengwa namai ndokurara. Victor akapepuka
pakati peusiku ndokufunga kuti akange arara asina kukiya musuo, uye Barbra aisavepo.
Akaedza kufona asi phone was not reachable. Sezvinhu zvaigara zvichiitika, haana kuita hanya
nazvo, akafukidza vana gumbeze ravange vabvisa ndokudhonzawo rake ndokurara zvake.
Pakachaya 10 mangwana mangwanani Barbra asina kudzoka, Victor akakiira vana mumba
ndokubuda omboenda kumadhiri kuRank.
Mai Gwenzi pavakaona kuimba yavo yekuseri kwakanyararwa zuva rese, vakabva vaendako.
Pavakasvikapo vakanzwa kuchema kwemwana mumba, vakadaidza Rumbie asi mwana
aisakwanisa kubuda nekuti ange akakiirwa mumba.
SaLandlady vakatora spare keys ndokuvhura musuo. Rumbie ange akagara pasi pafloor
akazvinyorovesa nekuti paisave nekwekuenda kuti andorasa mvura yemumuviri wake, aichema
chaizvo, ave kubvunda muviri wese.
Kahanzvadzi Tadiwa kange karara misodzi nemadzihwa zvakati pororo kumeso kwese. Mwana
aifemereka kuratidza kuti ange achema kwenguva yakareba akazonyarara nekurara. Mumba
mese mainhuwa nekuti kakomana kange kazviitira tsvina ndokurara kakadaro.
Mai Gwenzi vakatora vana vese ndokuenda navo kumba kwavo, vakandovagezesa ndokuvapa
chikafu, vakandotengawo diapers ekupfekedza mudiki.
Ndopavakazofonera Barbra akavati; “Ipai vana ivavo kuna baba vavo munonetseka neiko?
Ndodzoka next month.”
Mai Gwenzi vakapererwa, pakadzoka murume wavo vakataurirana ndokudaidza Victor
votaurawo naye.
“Dai maendesa vana kumusha vandogara zvavo naambuya vavo, amai vacho zvavari kuti
vachaita mwedzi wese vasipo.” VaGwenzi vakadaro kuna Victor.
“Hakuna ambuya vacho vanokwanisa kuvachengeta, stepmother vangu vakatukana namai
Rumbie zviri serious, saka havatomboda kuona vana vake. Tete vakewo vanorwara vane BP
neSugar saka vangatoda nemusikana webasa anovabatsira kuchengeta vana. Nedzimwe
nguva vanomboita mwedzi wese vari kuSouth Africa kuvana vavo. Saka handina hama
inokwanisa kuchengeta vana vangu.” Victor akatsanangura nhamo yake.
Mai Gwenzi vakabva vati; “Saka motochinja maitiro babamunini, moregera kunwa doro,
motomboshanda serious, kuti muwane mari yekuendesa vana kuCreche, kuseri uko pane Day
Care Centre panokwanisa kuswera vana vakachengetwa, imi muri kubasa. Zvekusiya vana
vega hazvitomboiti, vanokuvadzana, vanokwanisa kutsvira mumba, anything can happen.”
VaGwenzi vakabva vati; “Find a solution to this, tingatonotaura naStepmother vako vadzore
moyo, this is not about Barbra, it’s about the poor kids. Musadai vakomana, what kind of
parents are you? Kana usina solution wobva pano, this is a time bomb, inotofanira kuve Police
Case chaiyo, Barbra adzoke achengete vana vake.” Vakazopedzisira kutaura vachiratidza
hasha dzavaive nadzo.
Victor akangoramba akanyarara, mushure akazobuda ndokuenda kumba kwake. Akandobikira
vana ndokuvararisa. Pakarara vana akabva aenda kwaambuya Tumbare.
“Mamma, munokwanisa kumbosara nevana here mangwana ndimbodzingirira madhiri angu?”
Victor akadaro akatsikitsira. Rudo akabva ati; “Ko mai Rumbie varipiko vatisina kumboona nhasi
wese?”
“Havasi muno muMasvingo, vachamboita nguva vasipo, saka ndokumbira kubatsirwa.” Victor
akadaro.
Ambuya Tumbare vakambotarisana nemwana wavo Rudo vachibva vati; “Pakanaka baba
vaRumbie, asi mukurumidze kudzoka.”
Rudo akaseka ndokuti; “Madhiri eiko baba vaRumbie, ndoda $20 yangu, chaive chikwereti.
Musangoita madhiri muchidhakwa musingabhadhare zvikwereti apa.”
“Handichanwa ini, ndombotryer kubatanidza kuda amai Rumbie angakurumidza kudzoka.”Victor
akadaro.
“Kuregera doro nekuti hauna mari yekuritenga hakusi kuregaka nhai.” Rudo akadaro achiseka
Victor, asi murume akaramba akanyarara.
Rudo ndokuenderera, “Asi serious baba vaRumbie, kana usina zviri straight zvauri kuita
mangwana, uya undibatsire ndiri kundoita Décor kumuchato mutown, unondibatsira ubhadhare
chikwereti nekuti ndinositora vakomana vaye vanotengesa kurank uko vachindibatsira,
ndichizovabhadhara.”
“Handizvigone ini, décor chii ichocho?” Victor akadaro.
“Haiwawo ndosaka wairohwa nemukadzi” Rudo akadaro ndokufa zvake nekuseka.
Ambuya Tumbare vakabva vati; “Iwe Rudo kana paine zvaunoda kubatsirwa tauriranai
zvakanaka kwete kudaro kumurume mukuru, vana Rumbie vachakunzwa uchiseka baba vavo
kudaro, hazvina kunaka.”
Rudo akabva ati; “Alright, alright, unenge uchikwira pamachair kana pamatables ini
ndokutambidza sando nezvipikiri ndichipeta machira angu ndichiita zvangu Art dzangu. Chete.
Ungazvitadza here izvozvo zvinoitwa naRust uya akadhakwa everytime? Unomuziva here Rust
Neza anotengesa maWatch kuRank?”
Victor akasekerera ndokuti; “Zvakanakai amainini Rudo, toenda tese ndiripe zvikwereti
chokwadi. Mamma Tumbare ndinotenda chaizvo, vana mati munosara navo, pamusoro pazvo
mumba menyu ndowanawo basa rekuita.” Victor akasimuka ndokubuda ondorara kumba
kwake.
Pazuva rakatevera Rudo naVictor vakafumira kuHall kwaindoita Rudo decoration yemuchato.
Vakabatsirana vese naVictor vakagadzira zvakanakisa zvakafadza varidzi vechirongwa. Nguva
nenguva vaikumbirwawo maphone numbers nevakange vaonawo basa ravakange vaita
pamuchato uyu.
Ndozvakazogara Victor achiita, kwemazuva, mavhiki nemwedzi yese yakatevera. Akabva
atodzidza zvese zvaiitwawo naRudo. Izvi zvakamudzikamisa vana vachichengetwa zvakanaka,
zvakamupa rugare mumoyo make. Uye respect nekukudzwa kwaaiitwa naambuya Tumbare
nemwana wavo, kwakaita aite serious aisada kuvanyadzisa kana kuvatsamwisa kuti
vamudzorere vana vake. Saka ange ongotevera achishanda basa seriously nemazvo.
Kana kuchurch kwavaienda ange oendawo, akatanga achiita zvekungovaperekedza kuti
asasare pamba ega. Nekufamba kwenguva ange ave nemashamwari kuchurch kwacho zvekuti
ange onakidzwa nako nekubatana nevamwe varume muchurch.
Mamwe mazuva vaimbopiwa mota yababamukuru vaRudo kuti vaite basa ravo kana vaiwana
basa kunze kwedhorobha reMasvingo. Victor akawana mukana wekudriver, mari yaakange
abhadharirwa navaGwenzi kuti atore drivers’ licence haina kunge yaendera mahara sekuseka
kwakange kwaita mudzimai wake.
Kana ivo vaGwenzi nemudzimai wavo vakafara nezvakange zvoita baba vaRumbie nevana
vavo. Vakatendawo mbuya Tumbare nekubatsira kwavange vaita mhuri yechidiki iyi. Kana
business vange vovabatsira Victor naRudo kuwana macustomer.
Kubhadharwa kwacho kwaaizoitwa naRudo kwaive nemuseredzero, vaitaurirana mari dzacho
dzavanenge vashanda vese vobvumirana. Rudo aibva abhadhara rent kwana Gwenzi, otengera
vana nababa zvekupfeka, opa amai vake mbuya Tumbare mari yekuti vawedzere chikafu nekuti
Victor nevana vake vakange vodya kwavo zuva nezuva.
Uye Rumbie akange oenda kuCreche, yaindobhadharwa zvakare nekutengera mwana zvese
zvaidiwako. Victor aizopiwa chenji chete kana iripo, nedzimwe nguva yaishaikwa chenji yacho.
Victor paaibvunza ainzi unoda kutenga chii chausina, aibva angonyarara voenda kubasa vese
vondogadzira imwe mari.
Nemumwe musi Victor akandoitawo madhiri ake mutown akawanawo kamari kake, akafunga
kutenga zvinhu zvaivabatsira pabusiness raaiita naRudo. Akasvika pamba pambuya Tumbare
ndokuwana vakagara mumba nevana vake naRudo.
Paange oda kugogodza akanzwa Rumbie achiti; “Amainini Rudo hamudi kuita mamma vedu?”
Ambuya Tumbare vakaseka, Tadiwa ndokuti kuna Rudo; “Ndiwe mamma angu unondipa
porridge yangu, unondibereka naambuya mese.”
Vakuru vese vakaseka asi hapana akakwanisa kupindura vana. Rumbie akabva ati; “Amainini
Rudo munoita kuti daddy vaseke, mai Rumbie vairova daddy vochema.”
Tadiwa kakabva kasimuka ndokutora bhutsu yambuya vako ndokuedzesera kurova
nekupotsera bhutsu mumba sezvaigaroita amai vavo. Vana vakambonyarara vakatarisa
amainini Rudo, kunge vange vakamirira mhinduro.
Rudo akasimuka ndokuti; “Ok ok ndini mamma venyu, asi chitorai macoloring books enyu,
ndave busy now ndoda kusona zvinhu zvangu.”
Rumbie akabva ati; “Asi Tadiwa anodya macrayon angu handidi kumupa,” Rumbie akadaro
vave kurwirana kapacket kemacrayon.
Ambuya vakatora macrayon ndokupa Rumbie, ndokucheka orange vopa vese, Tadiwa
akasiyana nezvemacrayon ombonakirwa nekuisa zvekumuromo. Vakavaparadzanisa kuti
mumwe nemumwe achiita zvake.
Victor akambopukuta maziso akamira panze paainzwa izvi, akamboita nguva achifemedzeka
ndokuzogogodza. Mushure mekukwazisana akabva ati; “Amainini Rudo nhasi dhiri rangu rafaya
mutown umu.” Akataura achiratidza kufara chaizvo.
“Titengerei madrink baba vaRumbie kwete kungovhaira muchidya mari mega.” Rudo akadaro
achiseka zvake, Victor akabuda panze ndokudzoka nezvaange atenga.
Victor akasvika ndokuisa pasuro yake padivi pesofa pakange pakagara ambuya Tumbare,
akabva ati; “Madrinks mangwana. Ndatenga ladder rekuti tishandise kubasa, kukwira pamatable
emacustomer hakuite wena, ndatengawo netool box yangu iyi. Iwewe waiti uri kutsvaga white
material yekuitisa chair covers, ndawana pange pachitengeswa machira ndikatora uyu, ndiwo
here mucheka wacho kana usiriwo ndonodzorera, 50 metres. Nyatsotarisa.”
Rudo akabata bata mucheka uya ndokuti, “Haaa haa excellent ndiwo chaiwo 100% linen
yandaitsvaga, haaa waita hako Victor”
Musikana akadaidzira ndokuzoona ambundikira Victor nemufaro mukuru achitenda. Vese
ambuya Tumbare nevana vange vangotarisa Rudo sharing her surprise joy and appreciation.
Victor naRudo vakatarisana mumaziso vakambundikirana kudaro, Victor akapotsawo anamira
kiss pamuromo waRudo dai vasiri ambuya vakatiwo panguva iyoyo; “Maita basa baba
vaRumbie, Rudo aishaya mucheka uyu, nyangwe paaituma vanhu kuHarare hapana
akakwanisa kumutengera, iyezvino kana mave nemachair covers mochajawo pakuru,
hamuchaite ekuhaya zvaibudisa mari yakawanda.”
Tadiwa akamira pakati paamainini Rudo nababa vake, mwana akavatarisa vese achiseka
zvekubuda masiriri neinner joy, ndokuti; “daddy …..” akazvimonera nedress raRudo
achitenderera pana baba vake achivamonerawo nedress riya, achiti; “namamma….”

TOO BUSY TO DIE


Chapter 4
Stories by: Rutendo L. Nzira
Manheru emusi wasiya Barbra mhuri yake, akaenda kuHarare nasahwira wake waakange
awana, haana kunanga kumba kwaConstance shamwari yake. Akamboita vhiki rese rekutanga
achigara nemuzvina Benz uyu muFlat kumaAvenues, rainzi nderemukoma wake ari UK.
Akazoziva kuti anonzi Ben mangwana acho makuseni pavakamuka vachigezana after varara
vese muHarare.
Akamboravira upenyu hwaaishuvira, kana kubika nekutsvaira muflat umu kwakamunakidza
chaizvo. Apa muchirungu umu aisuka maplates musink mumba makare, kwete zvaaiita kwake
naVictor, mudish panze akakotama zvairwadza musana, achidzinga imbwa dzepanext door
dzaida kunanzva mapoto ake, achisuka mapoto ake nekasaga kemaorange anenge adyiwa
nevana vavaGwenzi, achikwesha nemavhu nekasipo kanenge reza kaaiputira muchisukiso,
damn it.
Umu aive nemetal and foam scourers nevim zvaaikweshesa poto, zvisingaitise maoko ake
rough, kana kusvibisa nzara dzake, mvura ichibuda ichichenesa zvese, mafuta achibva nehot
water and sunlight liquid dishwasher. Wozodei?
Achigezera muviri wake mubath-tub or shower, sarudzo yaive yake, obuda akashama kana Ben
aripo, kana asipo aibuda akamonera drying towel chete. Ondopfeka mubedroom raingove just
opposite the bathroom, mvura iripo yese inopisa neinotonhora throughout. Kwete kwaairoja
kwaaichera mvura panze nebucket, atanga adziisa mvura mugaba repaint raakatora pakaita
vana Gwenzi renovation yeimba yavo nxaa.
Achiti kana apedza kugeza otopfeka hembe dzese seave parwendo, aitopfeka zvese kuti
akwanise kufamba 10m kudzokera mumba, apa zvichinetsa muviri uchakatota, ah shit mhani,
zvaimusvota sei.
Shopping everyday yaimunakidza, aiswera achimbeya munaFirst Street, Joina City, Westgate,
Chinese and Nigerian stores, Boutiques kana kuGulf, achitenga nhumbi dzake dzekupfeka,
nemari dzaaipota achisiirwa naBen, kuzoti dai aive mukadzi wake, aitosara neBank card rake
rese zvaro hehehe!
Aizoenda kuFlat ondokanga lean beef, kana karump steak kaiibva kari mupan in 2minutes.
Kwete nyama nemabhonzo avaitenga dzemazimombe achembera dzaitengeswa
muMudzungairi Weshambochena Butchery, yaida kugokwata zuva rese ichingodirwa
mazimvura kuti itsengeke ah hezvo, vozoidya tasting seyawachwa. Paaizvitaura onzi namai
Gwenzi gutsikana nezvaunazvo, ko kana zvisingagutsi zviripo zvacho aifanira kudii?
Kana nyaya dzainakidza pamaGroup epaWhatsApp, yaibaiwa nekutsva nyama yacho
ambovarairwa zvake. MuFlat umu kubika kwainakidza big time, two minutes tenderized steak
yaibva, obva andorara pasofa achiona Tv, ari paFacebook akamirira murume kuti vazodya
vese. Aifunga izvi achiridza tsamwa pese pese achinzwa kuvenga Victor pakumupa upenyu
hwakadaro.
Asi pakazodzokera Ben kuMasvingo ukama hwakabva hwapera, sezvo kwaive nemukadzi
nevana vake, uye muFlat umu maigara munin’ina wemudzimai wake aive kuUniversity.
Panguva iyi akange ari paholiday kwasisi vake kuMasvingo. Vakaparadzana Barbra oenda
kuWarren Park kwairoja shamwari yake Constance.
Manheru emusi weChishanu uyu, wasvika Barbra kumba kwaConstance, madzimai akarara
vachiudzana zvakange zvaitika muupenyu hwavo kubvira pavakaparadzana.
Asi Constance akaramba achimuti; “Iwe udzokere undotora vana vako as soon as wangowana
basa. Kana kutsvaga wekumusha wekundopa vana, haungasiye vana nababa vasina kubasa
kwavanoenda uye nekudhakwa kwaanoita, vasikana musadaro.”
Barbra akaramba akanyarara achifunga kuti Victor aizoona zvekuita nevana saka zvaisafanira
kumushaisa hope. Kutapirirwa kwaange aitwa pavhiki yake yekutanga muHarare, aingoti dai
achiwanawo wake murume anoda kugara naye zvachose sezvaakange aita naBen.
Musi weMugovera wakatevera, Constance akaenda neshamwari yake kuSalon kwaaishanda
paJoina City. Barbra akandogara zvake achinyepera kuverenga magazine iye aitarisa
nekuterera vakadzi vaipinda umu. Ainzwa kutsva moyo achiona vamwe vaiperekedzwa
nevarume vavo, nyaya dzaitaurwa umu dzaimupisa moyo nekudawo zvakadaro muupenyu.
Zvese zvaipfekwa nevakadzi vemuCapital City, kunyanya vaakaona vachipinda muSalon umu,
zvaimutora moyo. Nemari dzavaibhadhara pazvinhu zvidiki diki zvaiitwa muSalon umu
zvaidhura kunge mhosva. Vaibhadhara mari dzekugadzirwa misoro yavo nenzara dzavo kunge
vairipa ngozi chaiyo. Akagutsikana kuti kune vakadzi vane mari yavo, vane upenyu
hwekungobwinya nekushandisa mari.
Pakachaya 1200hrs masikati aya, pakabva pazopinda muridzi weSalon vaingodaidzwa kuti
auntie Gugu, vaive amai vangaite 40years. Constance akaita vazivane naBarbra nekuvaudzawo
kuti aitsvaga basa. Auntie Bee vakatanga kuverenga mari yavo yemusi uyu ndokubva
vazovhara misuo yavo nekuti vakange vasingachatora macustomer zuva iri.
Pasina nguva pakabva papinda madzimai vange vakapfeka zvakanaka chaizvo vachiratidza
kuve vemhando yepamusoro, uye vakawanda. Barbra akatoshaya kuti vaida kugadzirwa
chimwe chii ivo vaiyevedza kudaro.
Vasikana vese vaishanda umu vakambosiya zvavaiita vachindopfugama mberi kwaMamma
Gambiza, avo vakange vagara pasi, vaibata wese aiuya pavari vomudaidza nezita rake, votaura
zvaive zvisinganzwike kana kunzwisisika naBarbra. Auntie Gugu vakabva vazotiwo kuna
Barbra, “Enda undokwazisa mamma vedu.”
Barbra akandopfugamawo pamberi paMamma vaye, vakamubata on her shoulders ndokuti;
“Barbra you are prospered; receive the golden touch, amen.”
Vese vakange vauya naMamma Gambiza vakatanga kugadzirwa misoro yavo sezvavaida.
Sister Hazel nepraise and worship team yavo vakagadzirwa vese zvakafanana. Mai Pastor
Dube vakagadzirwawo zvavaida, ivo mamma Gambiza vachiti mumwe ari kugadzira musoro,
mumwe ari kubata bata nekukwenenzvera nzara dzavo, mumwe achigadzirisa tsiye dzavo.
Pakazochaya 2pm ndopavakazobuda vese. Constance naBarbra vakasvika kuWarren Park
kwavaigara, ndokutanga kuwacha mbatya dzavo dzevhiki yese.
“Umm vakadzi vaye, ayas kubasa kwako uko sahwira, ndopanoti chirungu. Ko vaye vamange
muchiti mamma, ndoaniko?” Barbra akada kunzwisisa.
“Ndimai Mufundisi wechurch iri kuAvondale uko. Ndivo biggest customer yemurungu wangu.
Ichechi yevanhu vane mari yavo kwete one dollar rako mai Rumbie, hakungoendwa.” Vakadzi
vakaridza chikwee.
“Vakawanda vacho vanouya kuzogadzirwa musoro muSalon medu, totoziva kuti Saturday from
12 o’clock inguva yevakadzi veEuthenia Ministries.”
“Toenda rini kuchurch kwacho?” Barbra akabvunza.
“Tichaenda zvedu, handiti ndezve one day kungondoona chete, haisi church iyo. Kunoda
vakasimba moyo. Flambo chete chete, handina musi wandakambonzwa Pastor or Bishop vacho
vachiitisa vanhu the sinners’ prayer receiving Jesus. Kungodaidzira mari chete nekuonererwa
pledging. Handipinde church yakadaro ini.”
Barbra akanakidzwa nezvaainzwa akabva ati; “Rega ndinozvionera. Iwe unovashora kudaro
hindava, ndosaka usina mari yacho. Uchenjere shamhu yaMwari uchituka the anointed ones of
God.” Barbra akadaro, Constance akafa nekuseka akatarisa shamwari yake.
“Wakazoziva shoko rini iwe, rega tiende zveduka one day haudzokere futi. Zvimwe zvinhu
hazvisi necessary mai Rumbie shamwari. Dzimwe nyaya dzatinonzwa vakadzi vemari ivava
vachidemba mumaSalon umu iweka, zvakaoma.” Constance akadaro.
“Ini ndinongodawo zviri nane shamwari kwete zvekwaVictor izvo, ghetto handichada.” Barbra
akadarowo.
“Which is ok kana ukazvishandira, asi kunyanya kutarisa upenyu hwevamwe kunounza godo,
kukara nekuoma moyo, hona wakafuratira vana vako vadiki kudaro nekukara. Gutsikana
nezvauri, uzvishandire slow but sure kusvika wawana zvaunoda. Mwari vanotipa zvakasiyana,
kugutsikana kunongopa Mwari mbiri yavo, uye zvinokupa rugare muupenyu, hautozooni
zvausina. Tenda Mwari pazvidiki ugopiwa zvihombe. Izvi zvekuti by any means necessary
shamwari ummm, ndinozvitya ini.” Constance akadaro.
“Ini ndofira mukuedza wena handigare pandisingade nekutya.” Barbra akazvitsanangura.
“Be careful vaunochiva vacho ivavo, vamwe havarare mumaMansion acho nezvikwambo
zvichivashaisa hope, zvamazuvano izvi, vamwe driving mapango acho zinyoka riri
papassengers’ seat, gutsikane nezvaunazvo……” Constance akadaro amira akabata muchiuno
achizorodza musana paange akakotama achiwachira mudish.
Barbra akaseka ndokuti; “Dai une washing machine usingarwadziwi musana so.”
Constance ndokutiwo; “Iwe do you know kuti vanhu vanopindana nedzakawanda nekuda
kwetunhu tusina maturo. So ndotozviti ndiri kutambura nekuti handina washing machine? Ini
ndine hembe dzacho dzekuwacha, nesipo yacho yekudziwacha? Mai Rumbie kura shamwari
iwe, be serious neupenyu wanzwa?”
Barbra akadzungudza achirambirana neshamwari yake, “Varombo vese ndolanguage yavo
iyoyi, vakaona ane mota yake hanzi achangofa akaisiya, saka manyatera enyu munofa
mukaenda nawo here? Aita imba yake hanzi haana rugare, imi mune rugare rwupi mukadumba
kane hutsi muchirara nenzara,” Barbra akafa nekuseka.
Akaenderera achiti; “Better kupiwa HIV ndiri muMansion ndichinwa maARV after ndadya proper
three course meal, kana dumbu rakazara mushonga unonwika. Vakadzi vari kupiwa HIV
vakagara mumba musina kana chekudya, kuti unwe maARVs mudumbu musina chinhu, ah
iweeka iwe, kunge wanwa packet yerazor blades. Nhamo handiidi ini.”
Constance akadzungudza achiti; “Ungatevedza mashura ese ese here nhai shamwari. Nhamo
yakaipa yes, asi ndiri kuti gutsikana nezvaunazvo, vaunochiva hauzive kuti vakazviwana sei.
Even imo muno muWarren Park, kuna ambuya vanogara paduze nepamashops uko, chitopota
chen’anga. Vanonzi ishasha pane zvavanoita. Sometimes unozotadza kuona kusiyana
kwen’anga nezvinoitwa mune dzimwe church.”
Barbra akabva ati; “In’anga? Vanonzi ani? Wati vari kupi?”
“Vanonzi ambuya Mangena. Same road pane mashops imba hombe yegreen. Asi wafunga
kuenda?” Constance akaseka ndokuti; “Regawo zvimwe zvikupfuure shamwari iwe. Ukawana
basa rako, wozvinamatira uchichengeta vana vako, trust me you will be fine.”Dai Constance
aiziva kuti aiudza dombo angadai asina kutambisa mashoko ake.
Manheru aya, Barbra akashamisika achifonerwa navatete vake; “Tete makadii?”
“Mai Rumbie, ichokwadi here chiri kutaurwa nababa vaRumbie?” vatete vaBarbra vakadaro.
“Kuti chii tete?” Barbra akadaro achibuda mumba kuti Constance asanzwe zvaaitaura navatete
vake.
“Usazungaire wanzwa? Uri kupi?” vatete vakabvunza vachiratidza kuti havasi kutamba.
“Ndiri kutsvaga basa muHarare tete.” Barbra akadaro.
“Kurumidza kudzokera kuMasvingo undogara nevana vako. Kana kuti enda undogadzirisana
navamwene vako, ukumbire ruregerero vakuchengetere vana ugopenga nenyika uri wega,
wanzwa.” Vatete vakapopota.
“Ah tete, inga Victor …..” mai Rumbie akaedza kuzvitsanangura.
“Victor kuita seiko, vana vakabuda mudumbu maVictor here?” tete vakatsiura nehasha.
“Ndiri busy tete, zvamunoda kuti ndiite handizvikwanise ini.” Barbra akadaro achida kuti tete
vasiyane naye.
“Babangu Moyo iwe, hanzi ndiri busy, busy uchiiteiko, kusiri kuita busy kuzvicherera guva rako
wega ndichiona. Uchafa ukandisiya neBP neSugar yangu. Sorry shame.” Vatete vakaridza
tsamwa.
“Tete please, kana vana vaina baba vavo, what’s the difference?” Barbra akazodaro.
“Bata mashoko angu mwana wehanzvadzi yangu, vana vaunotsvinyira kudai uchavafunga. Uri
kutadza kuchengeta vana vako vakanaka kudaro, uchenjere kuzviisa panzvimbo
yauchamanikidzika zvekuti kana panze haubude, speed yese iyoyo ichapera. Mwari anoona.”
Vatete vakatsveta fone pasi.
Barbra akamboridza tsamwa ndokutanga kutaura ega akatarisa fone kunge aida kuti vatete
vazvinzwe kwavaive ikoko; “Ndomanikidzika kuswera ndakaungana pamwana kuti zvinenge
zvaita sei? Vana vandichaita next vanenge vaina baba vane mari, ndina baby sitter or
vachiswera kuCreche, and I will be driving around nemwana in my car. Kwete zvekusungirirwa
pamba kunzi swera nevana. Vanofudzwa imbudzi here vana vacho. Nxaaa! ”
Barbra akasekerera akatsinzinya achiona vision ane mwana waakasungirira pababy seat, ane
seat belt, achimutarisa neparear view mirror akaruma kadummy. Achindopaka mota
pamashops, obudisa prema kubva kuboot kwemota opinda musupermarket otenga zvaanoda
asingatarise kuti zvinoita marii, achishandisa bank card rababa vemwana. Mudzimai
akasekerera achigutsikana ari ega achiti nguva ngaimhanye zvakadai izvi zviitike. Inga amai
mufundisi vakange vamuti; ‘You are prospered’, aizoiwana chete prosperous marriage amen.”
Musi weSvondo uyu, Constance akaenda kuchurch yaaipinda mudhorobha, Barbra akaramba
akati anosara akarara, aizoenda musi wavaienda kuEuthenia Ministries. Constance aidawo
kuchurch kwake svondo iri nekuti kwaive nechirairo musi uyu, saka aisada kusaririra.
Barbra akazomuka ndokuenda pamashops achindotenga chingwa, akambotanga akwidza
nemugwagwa achitsvaga imba hombe yegreen sekutaura kwakange kwaita Constance.
Akazowana mumwe mukomana aizvifambirawo zvake waakabvunza akaratidzwa pamba
pambuya Mangena. Akandosvika ndokugara panze paive nevamwe vaidawo kupinda kuti
vabatsirwe naambuya ava.
Barbra akazopinda ega, aitarisira kundopinda mune zvakawanda wanda zvinoratidza hun’anga.
Asi akandogara pasofa akatarisana naamai vangaite 60 years, vange vakapfeka zvavo dress
rezambia material.
“Ini handitaure ngano pamusoro peupenyu hwako aiwa, unondiudza zvaunoda ndoita zviite
sekudaro. Kana zvaita wozouya kuzotenda, nhasi bvisa mari yematare ndikwanise kuona kuti
zvaunoda zvacho uchazviwana here.” Ambuya vakadaro.
Barbra akaisa $5 mundiro yemuti yaive paCoffee table yaivepo. Ambuya vakadzvova dzvova
ndokuti; “Vaera Moyo mwana wenyu uyo. Taura zimhandara chii chinoda moyo wako.”
“Ndinoda murume ambuya, ndinoda kuroorwa ndiite imba yangu.” Barbra akadaro. Ambuya
vakamutarisa vane confused face vachibva vati; “Ndiri kuona uine murume inga wani, ndiri
kuona uri mumba uye uine murume anokuda chaizvo.”
Barbra akambonyarara achifemereka kushaya zvekureva, akafunga mashoko avatete vake
akati mbuya iyi ichamutaurira zvakafanana nezvavakataurawo.
“Handimude ini, ndakatomusiya, inga mati munondipa zvinodiwa nemoyo wangu.” Barbra
akadaro.
“Taura chaizvo chaizvo zviri pamoyo pako. Unoda imba yakaita sei?” ambuya vakabvunza.
“Ndinoda murume ane mari, anondichengeta inini nevana vandichaita naye. Ndinoda murume
ane imba hombe achanditengera mota. Itai kuti baba vevana vangu andikanganwe, asiyane
neni handitombomudi kana kumuona handichada.” Barbra akadaro.
Ambuya vakatora mirror raive munhewe yeshumba yaive padivi pavo pasofa pavaive vakagara,
ndokutarisa kwenguva ndokuzoti; “Uyu murume uyu, baba vevana vako anokuda zvakanyanya,
wadii wati tigadzirise uyu, ndokupa mushonga weluck ambobatawo mari mugare mese?” Barbra
akapotsa padiki diki kuridza tsamwa, akafemedzeka ndokunyarara.
Akatanga kufunga kuti zvimwe ange afambira mahara, akange otoda kusimuka kuti abude,
ambuya Mangena ndokuti; “Zvakanaka ndokugadzirira zvaunoda. Asi zvinoti dhure nekuti ndiri
kukupatsanura zvechisimba kwawange uchidiwa, kuri kuzivikanwa nevari pasi kuti
ndokwawakaroorwa. Murume uyu haana kumbokutadzira saka zvinonetsa mumhepo. Asi dai
ane mhosva yaakakuitira taimupomera kuti tikupatsanurei.”
“Imariiko?” Barbra akadaro.
“Unondipa $50 iyezvino, kana wawana murume waunoda wozouya ne $100 tobva tasimbisa
imba yako nyowani, unozonditaurira iwe uchawana murume anokuita mambokadzi, zvese
zvawataura unozviwana. ”
Barbra akasekerera ndokuti; “Pakanakai ambuya.”
“Ndinoona unombofunga vana, asi shuviro yekuwana imwe imba nekuda humwe hupenyu
hutsva inokukurira. Usanetseka nezvevana ivavo. Vari kufara chaizvo, kutopinda zvavaiita
uripo. Sezvandataura murume akakuroora munhu asina chipomerwa saka akawana rutsigiro
nerudo chairwo anobatawo zvinoonekwa, saka vana kana ainavo vanogara zvakanaka. Rega
tichiita nezvako.”
Ambuya vakambotarisa zvakare mumirror mavo ndokuvhura nhewe yavo ndokubudisa bute
ravo, vakadhonza tushoma ndokupa Barbra vachimuti; “Chipfugama apo, wobva wabvisa
mbatya dzako dzese. Mhiko dzinoitwa wakaita zvawaive musi wawabuda mudumbu raamai
vako. Dhonza bute iro uchitaura zvaunoda zvese, nechishona chakazara, toita mhiko
yekutenderana ini ndichishandisa masimba angu, iwe shuviro dzako, zvido zvemoyo wako,
tobva tasungana. Handei tione.”
Barbra akabva aita zvese zvaange ataurirwa ndokupfugama, ambuya vakamufukidza nejira
dema raive nemavara machena nematsvuku.
Akabva atanga kuombera achidetemba achiti; “Ndinodawo imba yangu, nemurume ane mari,
ane imba, ane mota, anondichengeta zvinodhura sezvandinoona vamwe vezera rangu vachiita.”
Akatanga kuhotsira chaizvo nekuda kwebute raange afemba.
Ambuya Mangena vairira vachiomba seshumba, vaidetembawo vachiti; “Vedzinza
raMoyondizvo, imi vaera moyo, vana Mamoyo, vana Gono, Gonoren’ombe, mushayachirashwa,
mukaka tinonwa, ganda tinokakisa ngoma, mafuta tichizora, nyanga tinoita hwamanda ayiiiiiii.
Mwana wenyu anoda kupinda pakanuna, fambai naye aonekere panoda moyo wake. Gono
raMutindi naGochedza, ndikafira pano wani. Imi munoenda muchidzoka zvinoita huyo, ahiiiiiii.
Nhai Chirandu ayiiiiiii. Moyondizvo awuuuuu.”
Vakabva vazonyarara vese, dikita rave kuti teu teu, vakazoti Barbra achipfeka zvake mbatya
dzake, vakatarisa mumirror zvakare ndokuti; “Zvakajeka, vadzimu vako nemasimba
anondigonesa basa iri vachakuendesa panzvimbo yauchandowana zvinoda moyo wako.
Ndinoona pachamboita kurwa, asi ushinge. Kana zvisingauye kwauri zvega unobvuta, nhaika
zimhandara rangu. Kana wofamba nebango remukwasha wangu usazondikanganwa.” Ambuya
Mangena vakazodaro vachinyemwerera.
Barbra akarova chikwee of happiness and satisfaction. “Aiwa ambuya, ndikakukanganwai zvino
expire. Saka tiri tese nemumvura mese.”
Mbuya Mangena vakabva vazoti; “Kubvira nhasi verenga svondo mbiri, uchasangana naye
murume anodiwa nemoyo wako. Udzoke tisimbise mhepo dzikubatsire, nekuti pave kuda
mukadzi ane midzimu yakasimba hondo yawatanga iyi.” Ambuya vakatsanangura.
“Musandityira ambuya, zvembabvu ndozvangu ini.” Barbra akadaro achisimuka kuti achienda.
Akafamba nzira yese nzeve dzichirira nezvakange zvataurika mumba maambuya Mangena.

TOO BUSY TO DIE


Chapter 5
Stories by: Rutendo L. Nzira
Waive musi weSvondo, muEuthenia Ministries, Pastor Richard Dube vari mberi vachitungamira
minamato yaiitwa service isati yatanga, Bishop vasati vapinda. Praise and worship team
yaiimba vari kumberi, vachitsigira minamato yaiitwa nemufundisi wavo.
Pakazotevera zviziviso, vaitaura zvevairwara vaifanira kushanyirwa kudzimba nekuchipatara,
vaive nemaBirthday pasvondo iri vaitaurwawo vese. Pakazotaurwa misangano yepakati pevhiki,
yemapato emusangano akasiyana siyana. Zvese izvi zvaitaurwa service isati yatanga.
Barbra naConstance vaivemowo, vakagara pazvigaro zvekumberi mberi nekuti Barbra akange
asingade kusarira pane zvese zvaiitwa umu. Haana munamato waakaita, aingocheuka cheuka
achitarisa vaipinda vese. Akaonawo auntie Gugu vachipinda nemhuri yavo.
Bishop namai Gambiza vakazopinda muchurch vanhu vese ndokusimuka. Vange vakapfeka
masuits akafanana, amai vakazadza expensive jewelry muviri wese, pese paipfekeka rings and
bracelets, aivepo, baba vaive clean shaven, with a bit of make up like a magazine model.
Waidzokorora kuvatarisa kaviri nekatatu ukamedzera mate, muchinda achiratidza kugeza
nekunaka kweganda raive neutano hwekudya nekuzora zvemhando yepamusoro soro.
Praise and worship team ndovaiimba a soft worship song kusvika mukuru wechurch
nemudzimai wake vandogara pamasofa aive mberi kwaive kwakagarwa nanaElder Maruta.
Vakandosvika vachipfugama ndokuita munamato vakabatana maoko vese vari vana
vachikumikidza service yavo kuMusiki.
Bishop nemudzimai wavo vakabva vaenda vese kumberi kuPulpit, Amai Bishop ndivo
vakaendesa mabhaibheri nemabook ese emurume wavo paPulpit ndokupfuura nepaive
nemurume wavo vachigadzirisa collar yake, nekudhonza kabow-tie kake kuti kamire zvakanaka
(sevakange vasina kubva vese kumba) vachibva vandogara pasi.
Yange yasvika nguva yeshoko, Bishop Isaac Gambiza vakamira kupulpit vakatarisana
nesangano ravo, ndokutora microphone. Bishop vakamboimba “His love gets deeper and wider
everyday” in his hoarse masculine voice, sisi Hazel vachitsigira nekanzwi kavo kakatetepera
kaitapira, vanhu vese ndokudavira zvaidakadza kwazvo. Sound system ichiridza reggae beat
yaienderana nema lyrics acho.
Bishop naHazel vakatanga kuimba vese, vachitamba zvakatsiga, manzwi avo achienderana,
vachitarisana, kunyemwererana nekudzvokorana zvavainzwisisa ivo vega vari vaviri. Sisi Hazel
“His love” yavo yange yakanangana nemumwewo asiri Jesu aiimbiwa nevamwe vese muchurch
mavo. Kana pane aiona kusekererana nekufara kwaBishop nemumwe wavo, pavanhu
vemusangano, aingoti mweya mutsvene uri kufamba nehushumiri hwenziyo, amen.
Mai Bishop Gambiza namai Pastor Dube vaigozviona nepiko ivo vaiimba vakasimudza maoko
maziso akavharwa misodzi ichierera nekutenda Musiki parudo rwavo nekuvakomborera pakati
pevakadzi. Vaingonzwa kuti paiimbiwa zvainakidza nekubata moyo mutembere umu.
Mushure merwiyo, Bishop vakazosara vakamira vega ndokuti; “I want to welcome you all in the
house of the Lord, baba naamai vangu Elder and Elder Maruta, the favor of the Lord Jesus is
upon you, amen. All new members and visitors, you are at the right place amen!” Bishop
vaitaura vakaisa microphone yavo kure nemuromo wavo.
Vakabva vazotanga kufamba up and down kustage kumberi kwavaive, ndokuisa microphone
yavo padyo padyo nemuromo wavo nekuwedzera volume yazvese.
Vakabva vadaidzira vachiti; “Shout seven mighty halleluias and the walls of Jericho will be on
your feet, ayayayayayaya, in the mighty name of Jesus!”
Church yese yakadaidzira “halleluia” kanomwe, vesound system vachitevera nesound
yekuwondomoka, zvekuti kudonha kwemasvingo eJericho kwakaumbika mupfungwa
dzemumwe nemumwe aive muchurch umu.
“Today is the day!!!” Bishop vakatungamira sangano ravo in declaring victory over their
life…..Today!
“You may take your seats breathren.” Bishop vakazodaro. Vakavhura vhura maBhaibheri avo
vachinwa mvura vakamirira kuti munhu wese agare pasi adzikame, anzwe zvavaida kuparidza
musi uyu. Vakaramba vachivhura mabook avo asi havana verse yavakaverenga, vakafamba
vakabata microphone yavo vachienda kuvanhu, down the aisle.
Vaisekerera nekukwazisa vana vesangano ravo nemazita pakati pemharidzo kudai. Maitiro avo
aya ekuziva vanhu vemuchurch mavo vese nemazita, nezvinenge zvichiitika muupenyu hwavo,
made him a darling of all, vateveri vavo vaivada chaizvo. Paizodaidzirwa mari, mumwe
nemumwe ainzwa kuti akasaendesa chipo chake Bishop vaizomuziva, kana aizobvunzwa
aizonyarira paiko nhandi.
Chimwe chavaigona Bishop kwaive kushanyira vatendi vavo pakati pesvondo, vaigona chose
kuita surprise visits kumabasa evateveri vesangano ravo. Vaisvika paCompany votaura
nemunhu wese, prophecying and declaring prosperity and miracles in their lives,
nekukomborera nzvimbo, votengera munhu wese drink voenda zvavo. Zvaiita kuti maboss ese
akurudzire vashandi kuenda kuEuthenia Ministries. All indigenous business people vaive
muEuthenia Ministries vaibvisa chegumi as individuals and as Companies, tithing both their
profits, and their salaries.
Bishop vakazotanga kuparidza; “Vamwe vanhu vanouya kwandiri vachiratidza kushungurudzika
chaizvo, vonditi, ‘man of God, ndinoda rugare chete, ndowana seiko rugare rwega, kwete mari’.
Ndinovavhura njere dzemweya yavo ndovati; unofanira kuve nemari, pasina izvozvo kiss peace
goodbye ayayayayayaya ameeeeen!”
Sangano rese rakadaidzira “amen!”, vachibvumirana nemufudzi wavo.
“Unonzwa vamwe vachiti, ‘it’s about peace, joy and love’, I am saying no no no , it’s about
money….. ameeeen! For the Bible says, ‘A feast is made for laughter, wine makes life merry,
and money answers all things’ Ecclesiastes 10 verse 19. Hanzi mari inopindura zvese, mari ine
mhinduro dzese, money is the answer to everything, mhinduro iripo, mhinduro is the dollar
ameeeeen!”
Mufundisi vakaenderera mberi nemharidzo, “God is trying to put material wealth into your
hands. Take it! Grab it! By fire by force. Refuse to be poor, refuse to beg, refuse to be a
borrower ameeeeen!”
Bishop vakambomira vachida kuti munhu wese avatarise akaterera;
“If you are struggling financially, then you have not got the victory. God did not create you to be
average or poor. I am not going to call people to come and accept Jesus, you are in this place
because you love Jesus ameeen! I want you to raise your hands in faith and receive the
blessings of the Lord. Simukai mese tinamate. Halleluia! Halleluia! Halleluia!”
Vanhu vese vakasimuka kuti vachinamata mushure mekunge Mufundisi vapedza kuparidza.
Sound system vairidza pasi pasi. Bishop vakange vabvisa bhachi ndokukanda pamakumbo
amai Bishop, avo vakaritambira sevaiziva nguva yavaizorikandirwa. Sisi Hazel neteam yavo
yekushaura vange vamira panzvimbo.
Bishop vakataura vachizevezera muMicrophone mavo asi nekuti it was over-amplified chero
vaive panze vaizvinzwa; “The Lord told me this is the end time message. He is coming back to
look for His church without spot or wrinkle. But one of the biggest wrinkles the church has is
being broke. Church yakabhuroka, kirike raMwari harina mari nekuti vatendi vakaomera
vanonyima muridzi wesirivha nendarama zvinhu zvake. Ameeeeen!”
“Let us pray; “Money come to me now!!” Bishop vakadaidzira sangano rese ndokufamba
neprayer point iyi chaizvo. Kana Barbra akazviona achibuda dikita achifamba nemunamato.
Bishop vaikurudzira vachidaidzira nemicrophone yavo. “Poverty you are not my portion, leave
me now…. Pray pray pray ayayayayayaya ameeeeen!!!”
Bishop vakabva vandogara pasi. Mai Bishop vaionekwa vachitambidza Bishop mvura yekunwa
nekuvapukuta dikita rehushumiri hwavakange vaparamura. Pastor Richard vakasimuka
ndokuenda mberi maUsher vachiisa mabasket ezvipo kumberi kwechurch.
“”Halleluia! We thank God for the Bread of life through his obedient servant, ngatitendei Mwari
nekuomberera shoko ravo amen!” muchurch makaita mhere mhere vana vaMwari vachitenda.
“Time of tithing, vese vane mari yavo yetithing, come up front and receive your miracle” Pastor
Richard vakadaro.
Vese vaibvisa chegumi chavo musi uyu vakaenda mberi vondoisa maenvelope avo mubasket
rezvipo. Bishop Isaac Gambiza vaibata musoro wemumwe nemumwe aiunza chegumi chake.
Sister Hazel pachavo ndovaiimba;
1. Heavenly Father, you know that I tithe and I ask you to revive me because I have obeyed you
by paying tithe according to Malachi 3:10
2. Dear God, you also promised that because of my tithes, I will be prosperous, in Jesus’ Name.
Mushure mekubvisa chegumi, pakazodaidzirwa vaibvisa zvipo zvemusi uyu, sezvo kwaive
kupera kwemwedzi zvakare, paive nemagrocery ekumba kwababa namai Bishop. Izvi zvakatora
nguva yakareba. Praise and worship yaiimba
Giving time is blessing time
Give one, receive a hundred fold!
Zvakare vatendi vaindopfuura nepana Bishop namai Bishop vachindopa prayer requests,
nekuvapa zvaida kunamatirwa kuti vanamatire zvisati zvabuda munyika, apa vatendi vaienda
nemaPassport, maCV, Business proposals, Tender documents, Application letters, mvura,
mafuta ekuzora. Mushure meoffering, pakazodaidzirwa vaida kubvisa seeds, sacrifices, love
offerings.
Mushure mazvo zvese vakazoita munamato wekupedzisira ndokuvhara munamato wezuva iri.
Bishop namai Bishop vakandomira pamusuo vanhu vese vakagara pasi, vanhu ndokuzotanga
kubuda nepakati pavo vachivakwazisa. Hazel ndiye wevamwe vakatanga kubuda, akasimudza
ruoko waving to th Bishop, ndokundombundikirana namai Bishop achivaudza kuti nhasi vange
vakachena nekunaka kukunda munhu wese muchurch, mai Bishop vaingoonekwa kusekerera
nekurovana maoko nemwana wavo wesangano.
Barbra naConstance ndovakapedzisira vakamira kumashure kwavamwe baba namai vechidiki,
pakaenda vaviri ava kuna Bishop, Barbra naConstance vakasara namai Bishop.
“Mamma marara sei?” Masahwira akadaro nguva imwe chete.
Mai Gambiza vakavabata maoko vachisekerera chaizvo ndokuti; “I am blessed sweet ladies,
receive the favor of the Lord. And Connie, my sister ari kuuya nhasi, achasvika kuSalon
mangwana, ubva wangomuita zvako zviya mixing different weaves, and face make up.”
“It’s fine mamma, ndinomuona auya.” Constance akadaro achifarira customer, kwaari akange
awana zvaatofambira kuchurch uku.
“Uyu ndiBarbra right?” Barbra akagutsurira.
Constance akabva ati; “Mamma ndimi mune maconnections ese, mumutsvagirewo basa please,
chero ramangonzwa even part time kusvika azowana zvaanoda.”
“Yes you have to start from somewhere. Do you mind remumba, mai Katsande is sick these
days, you can see she is pregnant. She needs assistance for a week or two.” Vese vakacheuka
vachitarisa amai Katsande nemurume wavo vaitaura naBishop Isaac.
Mai Gambiza vakabva vazodaidza mai Katsande ndokuti; “Ava ndisisi Barbra ava, anoda part
time kumba, so since you mentioned kuti you are on sick leave and you need help in the house,
anogona kumbokubatsira.”
Amai Katsande vakatarisa Barbra ndokumboita sevaifunga ndokuzoti; “Ohhh ok, ndichaudza
vaKatsande then we can plan kuti todii.”
Mai Katsande vakaenda paive nemurume wavo ndokumbotaurirana vakabatana maoko,
vakazotendeuka votarisa kwaive nanamai Gambiza voti; “Honey said it’s ok, tinokwanisa
kuenda tese now kumba kwedu kana muine time ladies, so that Barbra wozouya wega
mangwana Monday. Right honey?” Mai Katsande vakapedzisira vachidaro vakafuratira
nekuzembera pamurume wavo uyo ange abata dumbu ravo raive nhumbu ine 5 months.
Mai Gambiza vakabva vati; “Moendaka Constance, maita zvakanaka mai Katsande”.
Bishop vakange vakaterera vakabva vasekerera vachiti; “Thank you my brother Lewis and
madam Isabella”. Vakatarisa Barbra ndokuti; “You see my sister, we take care of each other in
Euthenia Ministries.”
Isabella akati kuna Connie; “chiendai mundotimirira pamota yedu, tinoda kumbotaura
namamma nadaddy, tiri kuuya in 10 minutes.”
Masahwira akafamba ndokundomira paToyota Hilux double cab yewhite yaive panze. Vakaita
nguva vakanyarara, Constance ndiye akazotanga aseka ndokuti; “Mai Rumbie ……”
“Barbra, B-A-R-B-R-A ndozita rangu, even Bishop vanodaidza vanhu nema first names avo
wani.” Barbra akadaro achiratidza kusvotwa.
“Yoweee sorry, ndaiti chikomborero kudaidzwa nezita remwana wako nhaiwe.” Constance
akaseka akatarisa shamwari yake achidzungudza ndokuti; “Ungabva wanyarara kudaro here,
uri dangerous kana wakanyarara iwe, uri kurongei?”
Barbra akaseka ndokuti; “Pakaipa, saka watondiwanira basa so? Ibho, mari chete rega
ndishande usati wandishaudhira chikafu mumba mako.” Constance asati apindura baba namai
Katsande vakabva vasvika. Vese vakapinda mumota yavo ndokuenda kumba kwana Katsande
kuMabelreign.
Barbra semazuva ese aingomhanyisa meso mumba mevaridzi, achimedzera mate nekuita
mabayo negodo nezvese zvaaiona mudzimba dzavanhu. Lewis naIsabella Katsande
vakambopinda mumba mavo vobvisa hembe dzekuchurch. Isabella akadzoka ndokugara
nevaenzi vonwa juice vese, akatanga kutaura nezvebasa raaida kuti Barbra azoita, uye
nenguva dzekuuya.
Pasina nguva Lewis akabva auyawo, ndokugara paive nemudzimai wake. Isabella akabva ati
kuna baba vemba, “Honey, may we go and buy something to eat, I don’t wanna cook this
afternoon, a pizza for me and Junior will do us justice.” Mudzimai nemurume wake vakatarisana
vese ndokusanganidza maoko avo padumbu raamai maive naJunior wavo.
Lewis akasekerera achibata mudzimai wake dama neright hand, left hand ichitenderera
padumbu paive naJunior aifanira kunotengerwa pizza nababa, ndokuti; “Ok, we can go now
tichindosiya vana auntie kumaCombi in town, right.” vese vakasimuka vobuda kuti vachienda.
Pavakasvika muguta, Lewis akapaka paChicken Inn vese ndokubuda.
“Ok, ladies, auntie Barbra toonana mangwana, macombi are just behind, next street, you can
walk, pave paduze, chiendai henyu.” Lewis akadaro ave kukiya mota yake vese vabuda.
“Tiri kutotengawo lunch yedu, maita zvenyu.” Barbra akadaro ndokubata Constance ruoko
achimudhonza, vakabva vapindawo muChicken Inn ndokundogara pasi kutable yaive kure
nechekumashure. Baba namai Katsande vakangonanga pacounter vondotenga chikafu chavo.
Constance akadhonza chair ndokuzevezera achiti; “Iwe unopenga here? Tine mari yeChicken
Inn here isu?”
“Zvino tovhairirwa nekamukadzi kari kutotengerwawo? Isu ngavazive kuti tiri kuzvitengera
pano.” Barbra akadaro achifinyama akatarisa vaizove madam vake.
Constance akaseka ndokuti; “Handichafamba newe futi, saka tichagara pano kusvika zvaita
sei?”
“Kusvika tawana rimwe benzi richatitengera Chicken Inn. Ariko mapenzi akawanda in trousers
anosiya wives and kids vachidya necovo asi richitengera warisingazive Chicken Inn, kuri kuda
makumbo ikoko, hanzi ndokutaridza kuti ndine mari, idiots. Mira uone in 30 minutes rinopinda.”
Vakadzi vakamboseka chaizvo vachirovana maoko.
Barbra ndokuenderera; “Muno hamusi mekubuda zvekumhanya kana wambofema huku yavo,
ukasaidya unoita BP nezemo, zvese zvinokwira zuva rese.” Barbra akadaro, Constance aiseka
achinyara nekushamisika sahwira wake, akange ave kuda kubuda umu.
Vakazoona vana Katsande vave kubva paChicken Inn voenda kuPizza Inn. Barbra akange
akangotarisa zvake achifunga zvakange zvataurwa naambuya Mangena.
“Zvakajeka, vadzimu vako nemasimba anondigonesa basa iri vachakuendesa panzvimbo
yauchandowana zvinoda moyo wako. Kana zvisingauye kwauri zvega, unobvuta …..
Paakazoona vabuda vachienda kumota yavo, akabva agara akatarisa paCounter paisvika
vaitenga. Pasina nguva akangozosimuka asina zvaataura, ndokusvika achimira padivi pababa
vechikuru vakange vachizvitengerawo chikafu chavo.
Constance akaramba akatarisa akabata muromo, achiona baba vaye vachitarisa shamwari
yake vakaterera zvaaitaura vari serious, ndokuona vave kuseka chaizvo, zvekutorovana maoko
naBarbra. Akaona vave kupiwa order yavo asi vachiramba vakamira, ndokuzoona Barbra ave
kutambidzwawo order yakewo.
Vakamboita nguva vakamira vachitaurirana ndokuparadzana baba vaye vachienda kumota
yavo, Barbra achidzoka paive pakagara Constance.
“Lunch is served my friend, handei kumba tinodyawo Chicken Inn like any prospered woman.”
Barbra akataura achitevedzera matauriro amai Gambiza pavaigaroti “you are prospered.”
Constance akange achiri kushamisika.
“Wa … wa …. Wavaudza kuti chii?” Constance akabvunza achiri kushamisika.
“Ndavatika ndodawo kudya pano paHuku Mukati, asi mari haitambe, imi munayo tengai
neyanguwo, vakatotengaka.” Barbra akadaro achigadzirisa mapepa ange akaputira chikafu
chaange atengerwa.
“Just like that…? Unonyepa iwe…..” Constance akadaro achidzungudza.
“Iwe waona ndine pfuti here? Waona ndaenda pacounter apo ndine mari yabvepi futi? Handei
kumba tinodya. Uri kutotadza a simple thank you chaiyo.” Vese vakaseka ndokufamba voenda
kumaCombi ndokuenda kumba kwavo.

TOO BUSY TO DIE


Chapter 6
Stories by: Rutendo L. Nzira
Musi weMuvhuro uyu, Barbra akaenda kumba kwana Lewis naIsabella kuMabelreign
kwaaindoshanda. Akawana Lewis aripo akagara muDining room yavo paComputer pake achiita
basa rake, Isabella akamuratidza imba yese nazvese zvaaida kuti zviitwe musi uyu. Akapiwawo
uniform neapron zvekuti apfeke asasvibisa hembe dzake. Isabella semunhu aisanzwa
zvakanaka akabva andorara.
Barbra akaita basa rese akanyarara zvake, paange ave kutsvaira mukitchen, Lewis akapinda
achigadzira twukafu twake nemudzimai wake yake, akati kuna Barbra; “Saka munobva kupi?”
“Banket” Barbra akadaro ndokunyarara achipfugama kukorobha mumba.
“Oh ok. I heard mamma Gambiza saying you are new in town, maimboshanda kupi?” Lewis
akada kuziva.
Barbra akamboita nguva akanyarara ndokuzoti; “Ndaive kuJohannesburg, ndakadzoka
kuzochengeta tete vangu, vari kurwara.”
“That’s so considerate of you, you were raised well. Vashoma vezera rako vangasiye basa to
take care of parents, God bless you.” Lewis akadaro impressed.
Barbra akaramba akanyarara. Lewis ndokuti; “Isabella is not feeling well, I didn’t know that
pregnancy can be this hectic, my wife can’t even sleep well, apa we still have four more months
to go, I wish ndaimbokwanisa kutorawo the pregnancy to relieve her.”
Barbra akasimudza musoro ndokunyatsotarisa baba vaitaura izvi, vakasanganidzana maziso
briefly, Barbra ndokutsikitsira. Lewis akatora herbal tea yaange agadzira nemaginger biscuits
ndokuisa mutray achiti; “Give me 2 mins ndimbopa Isabella this, it usually helps kuti
asanyanyorutsa otherwise anoita zuva rese asina kudya, opedzisira ave kurwadziwa pasina
chekurutsa.” Lewis akabuda ndokundopa mudzimai wake chikafu kubedroom kwaaive akarara.
Akadzoka ndokuti; “Are you done cleaning? I want to show you something.” Barbra akandorasa
mvura yaaishandisa nekurongedza zvese zvaaishandisa, ndokudzoka paive naLewis.
“Ok I am going to my office in town, tea yaIsabella and her biscuits, then fruit salad iyi. Can you
just help us, mongomupawo every 2 hours, but motondomumutsa. Usually she feels better late
afternoon, anozomuka around 4pm, anozobika zvake dinner, munenge matoenda then, so it’s
this early morning yakanyanyotiomera.” Lewis akatsanangura.
“Ok, zvakanakai.” Barbra akadaro achibata bata zvaange aratidzwa. Lewis akabva aseka
ndokuti; “So how was your pregnancy, yainetsawo here nhumbu yako?”
“Handina mwana ini.” Barbra akadaro akatarisa pasi.
Lewis akazvirova pahuma ndokuti; “Oh, oh, silly me, ndazviwana kupi zvekuti every woman has
a child? Am sorry, it’s not like you look old or anything, am just excited because we are
expecting, so ndongofunga kuti munhu wese ane mwana.” Lewis akadaro amira akatarisa
Barbra.
“It’s fine.” Barbra akadaro ndokutanga kusuka zvaive musink, mai Katsande vakabva vapinda.
Lewis ndokuenderera achitaura naBarbra.“We were hoping to get someone older, angatibatsira
about pregnancy and babies, manje auntie Barbra is just a young girl, no experience.”
Isabella akaisa tray yaive necup and saucer pasink achiti; “Inga vana ambuya vaJunior vese
vakati vari kutitsvagira munhu nhai honey, sisi Barbra is just helping out because I am sick this
week, no stress.”
Isabella akatarisa Barbra ndokuti; “Ndaisa hembe dzese dzinoda pressing and ironing muspare
bedroom. Munokwanisa kundoayina zvenyu. Thanks for cleaning, mumba machena chaizvo.”
Barbra akabuda ndokuenda kuspare bedroom ondoayina mbatya dzaiveko.
Lewis akasara ndokuti kumudzimai wake; “Are you ok? I need to go to the office now.” Isabella
akaseka ndokuti; “Endai kubasa daddy, hanzi namamma nhumbu ndiko kukura, hakusi kurwara,
ndosaka ndamuka.”
“Ok then, I am just going to check maComputers, the Desktops and Laptops zvakasvika
neSaturday kuShop kwedu, tange tisati tavhura that consignment.” Lewis akafamba achienda
kubedroom kwavo achisiya mudzimai wake mukitchen.
Pasina nguva Lewis akamira mupassage ndokuti; “Isabella are you coming?”
“Handiti uri kugeza here, honey, ko ndouya kuzodii?” Isabella akapindura achiisa pan yaaida
kubikira mazai pastove.
“Come help me bath sha, handisi kuda kugeza ndega.” Lewis akadaro akangomira mupassage
pamusuo webathroom yavo.
Barbra aive muspare bedroom akambomira zvaaiita kuti anyatsonzwa zvaidaidzirana varidzi
veimba iyi. Zvaainzwa nenzeve dzake zvakamuitisa munhikwi weshanje.
“Am preparing your breakfast honey”Isabella akadaro achiri kukitchen.
“So I am waiting, I won’t go in the bathroom alone, kurumidza”. Lewis akadaro achidzokera
kubedroom kwavo ndokundozvivhariramo. After about 10 minutes, Isabella ange ave
pabathroom door odaidza murume wake.
Barbra akaterera ndokunzwa kuseka Isabella achiti; “Honestly, soon I will have twins mumba
muno.”
“No no I will be the younger one, always remember that, Junior and his siblings will grow up,
and I will remain the youngest of them all, mummy…….” Barbra akanzwa kuseka uye musuo
wemubathroom wakabva wavharwa zvimwe zvakataurika hazvina kuzonzwika.
Mashoko avo aiita maungira anobaya munzeve dzaBarbra zvekuti akatanga kuponda chewing
gum yake nemazino kunge ichabuda ropa.
Barbra akazoita Svondo rese iri achishanda mumba mana Katsande. Musi weChishanu uyu,
Isabella akabva ati; “I am still on leave, but muuye again next week, even for three days,
Monday, Wednesday and Friday. I like the way you clean the house, you are so thorough
mumba munosara muchinhuwirira mvura chaiyo.” Isabella akadaro achitambidza Barbra mari
yake yeSvondo iri.
Barbra akabva abuda ndokusangana naLewis achipinda nemota pagedhe.Lewis akabva ati;
“Mave kuenda auntie Barbra?”
“Ndokuonai neMonday ndave kumhanyira munamato wemanheru ano.” Barbra akadaro
achiramba achifamba achienda, Lewis akamboita seane zvaaida kutaura ndokuzofunga kepiri
ndokufambisa mota yake achienda kumba kwake.
Masikati eChishanu aya, Barbra akangonanga kuWarren Park ndokundowacha hembe dzavo
vese sezvo aida kuzoendawo kuSalon nekumbofambawo mutown pazuva raitevera. Akangoti
achipedza kuwacha ndokufonerwa naBen.
“Hie gorgeous, I am in town. Ndokuona kupi?”Ben akangodaro pakadairwa phone.
“Unowana ndave kuFlat, siya makeys paye paye” Barbra akadaro achinzwa kufara chaizvo.
“No no no, amainini variko wena, UZ yakavhura. Pane kaLodge kari 60km ouside town Mutare
road. Pane muface wangu ane madhiri emari wandinoda kundoona. So unondiperekedza, toita
overnight ikoko, todzoka mangwana masikati. Ndimirire paFood World iri muna Samora Machel,
I will pick you up at 6pm sharp, kwete dzechiboy handitika babes.” Ben akadaro.
“Sharp sharp.” Barbra akadaro atotsigira fone neshoulder nekuti maoko ange ave extremely
busy kutambanudza twumamini skirt nemashorts ekuendesa kwaange adaidzwa.
Manheru emusi uyu, vange vave paLodge apa muroom mavo. Pavakapedza kumbonakirana
nekugeza, Barbra akarara pabed, Ben ave paLaptop yake achiita basa rake.
“So madhiri eiko nhai?” Barbra akadaro achida kuziva.
“Haumbozvinzwisisa izvi. Anyway, it’s a money club, we are 25 business people takaisa mari
pamwe chete, so tinoita sechimbadzo, we loan each other that money to develop our
businesses, todzora ine some interest. Inini ndinongoita accounts dzacho and also, I spin imwe
yacho kwakawanda wanda. Muface wangu ndiye muridzi wemari, anondipawo some
instructions how to spin mari iyoyo”. Ben akadaro ave kuvhara computer yake ndokuzoti;
“Ndiye again ane vanhu 23 vese, and some of them havatombozive kuti they are entitled to a
share of the interest at the end of every year. So he makes money nemari dzevamwe iye asina
zvaari kuita. Ndaakutaurisa, siyana nazvo, tinozoita kunge Samson and Delilah, unoda
kundiparadza. Iwe ziva kuti it’s money, enjoy it while you keep me company, handitika babes.”
Ben akadaro.
Barbra akaseka ndokusiyana nazvo, akatanga kuchinja machannel eTv achiona zvaaida. Ben
akabva azofonerwa ndokusiya ati kuna Barbra.
“Order room service, tozodya ndadzoka, ndombonopa report kuna boss muridzi wemari like I
told you, and I bought you a swim suit, tozoenda kuswimming after dinner. You will meet
muface wangu or boss wangu rather, usataurise zvisinei newe, iwe ziva kuti waperekedza inini,
enjoy that. And whatever chinoitika pano, nevaunoona pano, haundotauri mumasalon or to
anyone else, even ukazovaona paTv or in the papers, never comment kuti pane
kwawakambovaona, wanzwa here?”
Barbra akamuka ndokugara pabed achiti; “Ah nhaiwe is this a threat?”
“A threat and a warning my darling, unofira mahara. But kukutora second time like this,
ndakatoona kuti you know how to mind your own business. Some chicks vanosindinetsa,
especially ndave kumba kwangu, with my wife. Manje iwewe you didn’t even send a single
message till today ndatokufonera inini. You will be highly rewarded for your loyalty and
discipline.” Ben akadaro ndokufa nekuseka zvake achidhonza nekubata bata mukaka
wasahwirakadzi wake, akabva abuda.
Barbra akasara achiita sezvaange arairwa. Akatorawo swim suit yaange atengerwa
ndokumbopfeka achizvitarisa mugirazi raivemo raive rakazadza madziro ese.
Pavakapedza kudya vakabva vaenda kuseri kweLodge kwaive neswimming pool. Kwange
kwadoka uye kusina vanhu vakawanda. Asi lodge yese yaive necolourful fluorescent lamps aipa
chiedza nzvimbo yese.
Muswimming pool maive nechembere dzechirungu, uye patwumibhedha paive nevamwewo
mukadzi nemurume.
Ivo vakaramba vachifamba vachienda kutwumibhedha twaive kwekupedzisira kwaive nemumwe
mukadzi nemurume vakange vakagara vakafuratira. Mukadzi wacho akange akagara
pamakumbo emurume wake vakabatana kunge vaive mumba mavo vega, apa vakapfeka
hembe dzekutuhwinisa, kwaive kushama chaiko. Kana Barbra nekuzhangandira uye kuda
chirungu kwake akanyara kuvatarisa. Ben akakosora kosora ndokuramba vakamira kumashure
kwevanhu vaye.
Havana kuregedzana, mukadzi akaramba akagara pamakumbo uye havana kucheuka, murume
wacho akabva ati; “Ben my man. Handiti you explained our non-disclosure agreement to your
guest?”
“Everything is in order boss.” Ben akadaro.
“Cool” Murume uya akadaro achisimudza ruoko kunongedza kuti Barbra naBen vatenderere
vandogara pakamubhedha kaive kakatarisana nevaviri ava.
Vakamboita nguva vakanyarara, mukadzi uya ndokuti kuna Ben; “It’s high time you get one lady
Ben, swearing every chick you bring to every meeting to secrecy doesn’t make sense mhani,
tototadza kunyatsofara nema pick and drop ako.”
Murume uya akabva ati; “I always tell him that. Anyway, welcome, what’s your name amainini.”
Achibvunza Barbra.
Barbra akaramba akatsikira Ben ndokuti; “Bee is her name. Tiri kunwa chii?”
“You know I don’t drink, so I just ordered red wine to loosen up, imi take what you want”
Murume uya akadaro.
Apa hana yaBarbra yakarova, akange asina chokwadi kuti aiziva manzwi evaviri ava, asi apa
akazonyatsoziva nekuzivisisa kuti vanhu vaive apa vaive vanani. Nekuvhunduka kwaakange
aita, akasimudza musoro ave kuvatarisa vese, paakavaona akatonyanya kurohwa nehana, she
was right. She made an involuntary scream achibata muromo, ndokuti; “Bishop Gambiza! Sister
Hazel!”
Vamwe vatatu vakavhundukawo zvekuti vese vari vana vakasimuka kunge pakati pavo pange
pakandirwa nyoka.
“Ben who is this?” Bishop vakaridza tsamwa dzakasimba kunge vachatsemuka rurimi. “How
many times ndichikuudza kuti my Ministry is a no go area. What have you done you idiot?”
Vese vakambonyarara asi Isaac ange atsamwisa chaizvo achifemereka nehasha. “This can be
the worst scandal ever, I am expecting the American partners soon, they wanna make me a
televangelist, and now this! This?! This nonsense Ben! Ayayayayayaya!”
Ben akatarisawo Barbra ndokumusaidzira kuti agare pasi. “No boss, this chick is harmless don’t
worry. Calm down please. Ndimi mave kutotaurisa.” Ben akabva ati kuna Barbra, “Unovazivira
kupi, you are new in Harare, wakavaona kupi?”
Barbra akambofemedzeka ndokuzoti; “Ndinoenda kuEuthenia Ministries kubvira pandakauya.”
“What did I tell you tiri mu room?” Ben akadaro kuna Barbra.
“Zvekuno zvinosara kuno,” Barbra akapindura akadzikama chaizvo.
“How much do you want? Name your price, kana ukataura after taking my money you will regret
ever setting your foot in this world, mazvinzwa here ambuya imi?” Isaac Gambiza akadaro
achinge acharova Barbra nembama.
Barbra akafunga akaona kuti anofanira kungwara, aive nezvaaida kuti Bishop vamuitirewo, apa
akapururudzira mishonga yaambuya Mangena; “Zvakajeka, vadzimu vako nemasimba
anondigonesa basa iri vachakuendesa panzvimbo yauchandowana zvinoda moyo wako.”
Apa ange apiwa mubatsiri waaida chaiye, in a platter of gold, by default, akasekerera ndokuti;
“No bamukuru, relax, I mind my own business.”
Isaac akamboita nguva akatarisa Barbra, akazobata Hazel ruoko vese vakabva vagara pasi,
Hazel achifemereka akatarisa Barbra, akange ave kuziva kuti vakatanga kusangana kupi uye
sei.
“I know pane zvaunoda, what is it?” Isaac Gambiza akadaro zvakare.
Barbra akambonyarara achifunga kuti oronga sei mashoko kuti anyatsotaura zvaanoda.
Mushure menguva akazoti; “Handidi mari yenyu babamukuru. I just want your silent support,
imimi nasisi Hazel, ndobva ndagara muchurch menyu, zvachose. Kana paine zvandodawo in
church monditsigirawo, chete.”
Isaac Gambiza nekuda kwekuvhunduka kwaange aita, akakurumidza kuti; “Ok ok, Hazie get her
contacts, and make sure you are best friends.” Vakazotandara zvavo asi Bishop Gambiza was
deeply disturbed. Akatadza kuita nyaya dzekuseka vari vese kudai. Vakazosimuka naBen
ndokusiya vakadzi vakagara vega, ivo ndokuenda kundogara kure vave kutaurirana nezve
business ravo.
Hazel paakasara naBarbra akati; “Ko Ben wakamuzivira kupi?”
“Ndaimbogara kuMasvingo, takangosanganawo ikoko.” Barbra akadaro.
“Ok, so uri kuitei in Harare?” Hazel ange azvipira kuziva zvese nezvaBarbra.
Barbra hana yairova asi aifara kuve pakati pevanhu vakuru ava; “Ndogara naConstance ndiri
kutsvaga basa.”
Hazel akambonyarara ndokuzoti; “Ok it’s fine, I can give you a receptionist job paCompany
pangu, handiti une O’Level English? Zvimwe unodzidzirapo.”
Barbra akasimuka ndokumbundikira Hazel nemufaro mukuru. Asi Hazel akaramba akapeta
maoko ake.
Hazel akaenderera; “Asi handidi munhu anondinyepera, ukandiudza chokwadi ndokwanisa
kukubatsira zvakawanda.”
“Sure sisi.” Barbra akadaro ave kufara.
Hazel akabva ati; “I am not a fool, chii chauri kuda kuti Bishop vakutsigire muchurch? Unoda
chii muEuthenia Ministries?”
Barbra akambobwaira bwaira ndokuti, “Ndoda murume sisi Hazel, do you think I am happy kuita
escort yaBen, for two days, mangwana ondisiya odzokere kumhuri yake, then ondidaidza futi
paadira? No I want security. Ndodawo kunzi Mrs, so kana ndikawana murume muchurch Bishop
havafanire kuparidza that God hates divorce nonsense. I am not asking him kuti vanditsigire or
encourage the man openly. I simply want him to stay away from my issues, then he can come
later and pretend to be shocked or say anything zvavanoda ndatove Mrs. Zvimwe I handle my
own way.”
Hazel akashama muromo akatarisa Barbra ndokuseka achikachidzwa nemate ake achiti; “You
go girl, where have you been all my life?! Now I have a partner and a friend. I like your style.
This is survival of the fittest.”
Vasikana vakaita chikwee chakacheukisa zvikomba zvavo, Isaac akatura befu rekuzorora,
kushunguridzika kwake kwakabva kwapera.
Hazel akaita serious zvakare ndokuti kuna Barbra, “And tell me, ndiani murume waunoda
muEuthenia? Usanyepe zvako kuti hapana, because haungarambe cash from Isaac pasina
munhu aripo.”
Barbra akaita nguva akanyarara ndokuzoti; “Lewis Katsande…”
Hazel akaseka zvakare ndokuti; “I repeat, where have you been all my life, the angels of
Euthenia are now busy answering my prayers.” Hazel akasimuka ndokudhonza Barbra kuti
asimukewo, akamumbundikira kwenguva refu ndokuti; “I will support you, together we are a
great team. Trust me.”
Barbra akashamisika nazvo izvi, akagadzirisa drying towel raange akamonera ndokudzokera
kugara pasi, Hazel akagarawo pasi achiti; “Now moyo wangu wozorora, gore rino richapera
wave Mrs Katsande, Isaac ndichaita ashaikwe panotanga madrama ekurambana kwaLewis
naIsabella.”
“But why sisi Hazie? Sei mada kundibatsira kudaro? Ndinozokuripaiwo nei?” Barbra akadaro
ave kutya, vanhu ava vaive nezvihombe zvavaiita zvaaisanzwisisa.
“Relax, let me tell you the story of my life.” Hazel akadaro ndokumbodzungudza achifunga.
Akabva azoti; “Isabella takasangana paHarare Poly tichiita Higher National Diploma in Food
Science tese. We were best friends, zvekuti vanhu vaiti we are sisters I tell you. I had my
childhood lover, ainzi William mukomana andakakura naye, tiri family friends. Vabereki vedu
were best friends, so we were a family. We dated kubvira ndiri 14, he was 17 then, kwaive
kurerana chaiko. Till ndave 22 pandakaenda kuCollege and met Isabella. Patange tave kuronga
kuroorana nemuchato wedu when I turned 24 ndiri mufinal year, William naIsabella vakabva
vadanana sha. William akatondisiya. Ndakatorerwa boyfriend nebest friend yangu.” Hazel
akambonyarara achipukuta misodzi yange yoerera kumeso kwake.
Akabva azoenderera; “Pasina kumbopera gore vakabva varambana. Ndakabva ndaenda
kuGermany kuna amaiguru vangu to heal, I was heartbroken ndakapotsa ndapenga, that’s why
vabereki vangu vakamboti ndibude muno. Ndakadzoka after 3 years ndave nemari yekutanga
Company yangu. William ange aroorawo kamwe kamusikana, kakamuhurira, akamubata ane
chikomba mumba mavo, akarova chikomba chacho zviri serious. After a week that guy
akamudzokera ane vamwe vake vakamubaya nebanga akafa. Now am thirty, single,
heartbroken, hateful to Isabella nanhasi, and am seeking revenge. You are my weapon for
revenge.”
Hazel akaenderera achiti; “Now Isabella is happily married, unovaona pese pese showing off
the love in their marriage. Dai akatoroorwa naWilliam ndaiti they found love through me, manje
so? She just destroyed me. Tinotarisana kunge tisingazivane in church, but taiwirirana zvekuti
even hembe taipfekedzana. Now this is pay back time, mira umuone achikwama ndamupa size
yake. Iwe concentrate on being Mrs Lewis Katsande, I will make sure you will be Lewis’ only
wife, girl.”
Vakadzi vakamboita nguva vakanyarara mumwe nemumwe achifunga nhamo yake. Barbra
akabva ati; “Ko vana Pastor Dube nanaElder vakaipindirawo zvinoita sei?”
Hazel akasekerera ndokuti; “Vana Elder Maruta I can also handle them. Ko handiti the Bible
says, mukadzi anorambirwa upombwe? Tinoita kuti Isabella aite upombwe hwacho, then inini
newe will comfort Lewis kusvika wave nenhumbu yake then vana Elder vozopindira pane yako.
Easy. Remember in Euthenia Ministries what Bishop says hazvina opposition, and sometimes
zvinonzi Bishop vati zvakati iye ari PA waBishop ataura.” Vakadzi vakaseka again zvine noise
vachirovana maoko, vachidzoka from the sad moment yenyaya yaHazel. Kuseka kwavo
kwakaita kuti varume vavacheukire.
Isaac Gambiza akanyemwerera akatarisa Hazel ndokuti kuna Ben, “She is my greatest
investment, she keeps everything in place, kana aripo zvese zvakarongeka. Hapana
kwaachaenda, she is my second wife.”
“Munoda kundoroora here mukoma?” Ben akabvunza.
Isaac akadzungudza ndokuti; “Ndakambozvifunga, I almost planned a very secret traditional
marriage asi ndisipo. Kutovati mukwasha atumira mari yekuroora ari UK kana Australia.”
Varume vakabvaruka nekuseka madzimai avo akavatarisawo achiseka. Vese vakasimudzirana
maoko, vatatu vachifuridza kisses, Barbra akazotevedzerawo pake ega Ben ndokudzorerawo.
Isaac Gambiza akabva aenderera nenyaya yaaiudza sahwira wake; “I wanted to put her
panzvimbo pake, nekuti kana zvakakwidza ipapa apa ndinomboitirwa mastaira ndichinzi handisi
mukadzi wako.”
Varume vakamboseka chaizvo, Isaac ndokuzoti; “But on second thoughts ndakazoona kuti ndini
ndaizoiswa panzvimbo, and it could be scandalous. So ngaagare kuback yard akadaro. Women
are stupid, unoona now she behaves well kuna mai Gambiza, but ndikamupa status of a
marriage kumba kwavo, yatove mhosva. Munhu haachafunge kuti I did her a favor. She will
want to move in kumba kwangu kuna Doris, so no. Doris gives the Ministry a status, of respect
and dignity, she covers up for any other activity ingaitike, she wipes away all doubt and answers
critics’ questions.” Varume vakaseka zvakare vachirovana mapendekete.
“But for my secret businesses, Hazel is a gem I tell you. Even this Barbra issue, I know it’s
solved zvavave kuseka so. I am in safe hands.”
Vakazosimuka vave kundorara pave pakati nepakati panhasi nemangwana.

TOO BUSY TO DIE


Chapter 7
Stories by: Rutendo L. Nzira
Musi weSvondo mushure meService, Hazel akaenda naBarbra kumba kwake vave kundoronga
nyaya yavo. Vakaona kuti vange vave shure nenguva nekuti Barbra aigona kungozonzi
achirega basa kwana Katsande.
Madzimai akagara pasi ndokuronga zvese zvavaida kuzoti zviitike mumba mana Katsande.
Mushure mehurukuro yavo yakaita 2hours dzese, Hazel akafonera vamwe vanhu ndokubva
vabuda. Haana kutora mota yake yaaisifamba nayo mazuva ese, akatora rhori T35 yeCompany
yake yainyanya kushandiswa nevashandi vake kuendesa madrinks kwakasiyana siyana.
Vakabva vaenda kuChitungwiza ndokundopaka pamaShops pasina kuzivikanwa naBarbra.
Vakafamba netsoka ndokuenda pamba pavakangosvika vachipinda ndokugara vakamirira
munhu wavange vafambira.
Mushure mekanguva pakapinda murume wechidiki akange akapfeka hat yewool iko kwaipisa
kudaro, hat yacho yakangosiya maziso panze chete, akati kuna Hazel; “Sorry kunonoka tete,
nurse vanonoka kuunza mapiritsi acho, ange asiri kubasa so azomawana nhasi. Torai goods
renyu tete vangu.” Mukomana uya akabva atambidza Hazel packet remapiritsi ekurarisa.
“Thank you Sweetman, you never disappoint. Ok let’s get down to the smses. Budisa pen and
paper Barbra.”
Barbra akatora kanote book nepen zvaive muhandbag make, ange angorairwa naHazel
kuzvitakura, vakatanga kuudzana zvekunyora. Hazel ndiye ainyanya kutaura vamwe vaviri
vachinyora.
Pavakapedza, Sweetman akaperekedza madzimai kwavange vasiya motikari yavo. Vaifamba
Barbra ari kumberi ega, ava vari kumashure vachiita nyaya dzavo, dzaisanzwika naBarbra.
“Ko ndipeika chimoko ichi tete, chakabatana heavy, ndaita dzungu pandatarisa backyard yake.
African woman tete.”Sweetman akadaro kuna Hazel.
Hazel akafa nekuseka ndokuti; “Ane varidzi uyu, imbomusiya, zvikamuwandira handione
achigona chinhu, idofo rakangongwarisa. Akangomutsa pameso but hapana zviripo apa.” Vese
vakaseka vakatarisa Barbra uyo aisanzwa zvavaitaura.
Hazel akaenderera; “Serious wena iwe, itsvuuramuromo, akangwara zvepaGrowth Point, njere
dzake dzinotangira paMake up kit dzoperera kuChinamwari, akatokwana so, anofunga kuti
varume ndozvega zvavanoda. Through my experience, you know, I believe kuti there is more to
life than that, I want intelligence, substance and wisdom, zvese izvi hazvipo pana Barbra kana
tsee.”
Sweetman akafa nekuseka; “Mawanzira shamwari yenyu vatete, but ndichamubata zvangu tiri
tega.”
“No, no no, ari paduze naBoss nemamwe machinda ekuMinistry saka musiye, handisati
ndamuona paamire, kuti zvikanyatsopresser anonyarara here.” Hazel akadaro, akaenderera
achiti; “the other issue, Boss vanoda minana to boost things muchurch, as soon as iyi
yangobvondoka, we need action inobvisa vanhu attention panyaya yana Katsande, so prepare
your guys, vaye velast time vakaendepi?”
“Tete I told you kuti ndotsvaga munhu anenge achida busfare to go out, vasikana vaye vaida
kuenda kuCapetown, that very day ravauya kuChurch vakabva vakwira bus vakatoenda. So
ndichabvunza mumaraini muno kana paine vanoda kuenda Namibia or Zambia, they perfom
and leave the country. Vakaramba vari muno vanozotinetsa, apa Boss hadzidi munhu anoitwa
rough.” Sweetman akatsanangura.
“Ok dia, utsvage because iyi tiri kuiita mangwana saka next Sunday ndoinenge iri nyaya,
following Sunday toda mashura akapinda aMoses naAaaron mugwenga dia” Vakaseka
vachirovana maoko.
Mushure mazvo Hazel akandosiya Barbra kuWarren Park ndokuendawo kumba kwake. Vese
vaifara, asi mafariro avo airovesa nehana, Barbra aitya kuti zvavaronga zvikasabuda
sezvavaitarisira, upenyu hwake hwaizomira kokayi akadzokera kuMasvingo, Harare
yaisazokwana vese vari vatatu Barbra, Lewis naIsabella. Kwekutizira kwega kwaaive nako
kwaive Masvingo kwaVictor, saka nyaya iyi yaifanira kubuda zvakanakisa sezvaaitarisira nekuti
yaizomupa upenyu hutsva.
Hazel aidawo kuita izvi sahwira wake Bishop Isaac asingazive, yaive nyaya yevakadzi aida kuti
iperere kuvakadzi. Varume vaifanira kungomira panzvimbo dzavaifanira kurongerwa nedzinza
raEva. Zvaisafanira kumunetsa izvi, akange amboita competition in serious business deals
achibudirira, apa aifanira kubuda zvakanaka semazuva ese. Aisangove nechokwadi chekuti
mumwe wake Barbra aive nenjere dzacho here dzekukwanisa kuparamura nekusaidzira
Isabella kuti abude mumba make zvachose.
So iyi akaiita project yake, kuti ibudirire, Bishop Gambiza vaifanira kurohwa nesurprise, so that
he would react zvakanaka chaizvo, zvisiri fake, sezvavaitarisirwa semukuru wesangano.
Iyi tsoro akange aironga zvakanaka, kana chaizobvondoka, nyaya yaisarira Barbra
naSweetman, kana Barbra ega, kana aizove rema rinotadza kuita zvaraudzwa aizosara
akatarisana nemapurisa akabata cellphone ine mamessage asingazivikanwi kwaaibva.
Musi weMuvhuro uyu, Barbra akasvika kuMabelreign kwaaishanda, pamba pana Katsande.
Akange aine kabutwa kake kaakange apiwa naHazel naSweetman uye anyatsoudzwa kuti
aifanira kuzoshandisa sei. Akangoti achipinda mumba, Lewis achitobuda achienda kuBusiness
kwake kwaaitengesa Computers.
Isabella ange akagara pasofa achigomera nekufinyama finyama. Akaedza kusekerera ndokuti
kuna Barbra; “Dont mind me, ndichamboita zvekurutsa, by the time I feel better ndinenge
ndisisina simba ndotomborara ndozomuka later. Ita zvako basa rako.” Vachitaura kudaro,
cellphone yaBarbra yakabva yarira, akatarisa ndokuona vari vatete vake. Akati kuna Isabella,
“excuse me madam ndimbotaura natete vangu.” Isabella akangogutsurira achirara pasofa paye.
Barbra akabuda panze achidaira phone yake.
“Tete makadii?”
“Mai Rumbie, wakapedzisira kutaura nevana rini?” vatete vakabvunza.
“Vari right tete, ko hanzi pane arwara here?” Barbra akabvunza asi achida kuti kutaudzana
navatete vake kuchipera.
“Iweka, dzimwe nguva ndinombofunga kuti hausi mwana wehanzvadzi yangu. Vakadzi vevaera
moyo tiri soft and tender, tiri madzimai ane moyo yakanaka anoda musha. Iwe ummm uri
kurwadza moyo wangu Bhabhu iwe.”
“Sugar yenyu yakakwira kani tete, muri kundinzwira sugar mazuvano, svondo haripere musina
kumbondishungurudza. Manje mukandinzwira sugar, hamupore.” Barbra akapofoka kuseka
ndokugurisirwa natete vakati; “Terera zvandafonera, ana babamunini vako kumusha uko vari
kuti munyai wako akauya, hanzi Victor akaunza gupuro, votambira here kana kuti
tombokudaidzai mutaurirane?”
“Mati chii vatete imi? Victor kudii?” Barbra akabvunza hana ichirova nekushamisika.
Vatete vakaseka chaizvo ndokuti; “Handiti uri kuonaka mwana wehanzvadzi yangu, hazvisi
zvekutamba izvi. Wakazomunyanyira, aneta nekukunyengerera.”
Barbra akaridza tsamwa achifamba famba achinzwa dikita kuerera pakati pemakumbo ake
nehasha. Ainzwa kudzipwa zvekutadza kupindura tete vake.
“Watiiko mai Rumbie, ndakavati vasatambire timbotaura newe ….” Vatete vakada kuziva
zvaifunga mwana wehanzvadzi yavo pamusoro peimba yake.
“Ndiani akazongwadza rombe rekwaMadziva? Angandiunzire R5 gupuro, nxaa Victor
kundiramba? Sei? Kuti zvaita sei?” Barbra aitaura seanotaura ega.
“Usaite seusina kumboenda kuchikoro, izvi zviri kureva kuti Victor ave kuda kuroora kana
kutochata chaiko. And haasi kuda barika. Hausisiri mai Madziva amai Rumbie. Ndozvawada
here mwanangu?” vatete vakadaro.
Barbra akaseka; “Hoooo ah ndozvamuri kufunga. Pane akamuudza kuti kana akaendesa
gupuro ndichamhanya ndichidzokera Masvingo, manje maya, ndotomboona zvandiri kuita kuno
kuti zvichadii ndozodzokera kundoshanya. Achimboona zvaainditadzisa.” Barbra akaseka
zvakare, “Victor anopfimba ani uya, anodiwa nani munhu asina kana andaweya, haiwa. Vaudzei
vatambire gupuro racho then ndozomufonera, anoda kumboshaudhiwa ibenzi remunhu kuda
kundinyadzisa chete.”
Vatete vakambonyarara vachifunga, ndokuzoti; “mai Rumbie, unenge uri kurarama munyika
yako wega, ko wadii kumboenda kuMasvingo weekend imwe chete zvayo? Ko ukazoziva kuti
atounza gupuro kuti aroore nekuchata nemumwewo uchadiiko? Kumurambira kwako
kunorevaka kuti une tarisiro yekudzokera kuMasvingo kana zvaunoda kuita muHarare
zvikatadza.”
“Ok tete ndichaona, asi zvekuti Victor angaroore? Ummm …” akamboseka ndokuzoti; “Forget it
haarooremunhu, kana Victor akawana mukadzi gore rino, ah inini ndotoroorwa naPope
weRoma. Bye tete ndiri pabasa.” Barbra akapedzisa achidaro ndokupinda mumba,
akandochinja mbatya opfeka dzebasa ndokutangana nebasa rake. Akabva awana message
yaibva kuna Sweetman yaiti; “ready” yaakakurumidza kupindura achiti; “wait.”
Akaenda mukitchen ndokugadzira tea yaIsabella sezvaakange adzidziswa naLewis musi
waatanga basa apa. Chaakangowedzera kwaive kuisa sleeping tablets umu ndokusekerera
chaizvo achitambidza Isabella. Mudzimai akanwa ndokumboramba akarara, pasina nguva
Barbra akadzoka necup yepiri, Isabella akamuka ndokugara pasi achiti; “Why two cups nhai
auntie Barbra, ndichazonwa imwe ndamuka, now ndave kutotadza kufamba kuenda
kubedroom.”
“Baba vakati kana manyanyorutsa sezvamaita nhasi ndikupei two cups madam. Inwai henyu
ndokubatsirai kuenda kuBedroom kwenyu.” Barbra akadaro akadzikamira chaizvo.
“It’s fine, inga waita hako mudikanwi, ndange ndichairegera here iyo yavepo tea yacho.” Isabella
akadaro achiedza kusekerera chaizvo. Akanwa tea yake yechipiri, Barbra ndokumubata
vofamba vese kuenda kumba kwairara mudzimai uyu. Barbra akasvikoradzika madam-maiguru
vake kunge airarisa mwana mucheche, akaisa comfort dzese kunge amai Katsande vaive
murwere abva kuOperation muchipatara.
Nyama dzaIsabella dzakatambanuka, apa overdose yemapiritsi ekurarisa yange yotangawo
kushanda. Barbra akaramba akamiramo akatarisa kuti Isabella arara here. Akatora cell phone
yaIsabella yaive padressing table ndokuti; “Madam tete vangu vari kurwarisa handina airtime,
ndokumbirawo fone yenyu.”
Isabella akaedza kuvhura maziso ndokunongedza kudressing table achiti; “Torai iyo auntie”
“Password madam, it’s locked.” Barbra akakurumidza kudaro achipa Isabella cellphone yake.
Isabella akavhura fone yake ndokutadza kutoidzorera kuna Barbra nekushaya simba, fone
yakadonhera mumagumbeze. Barbra akaitora ndokuenda kuApp messages, akandogara
muSpare bedroom maaikwanisa kuona zvese zvaiitika pagedhe repamba apa. Aisada
kusvikirwa akabata cellphone yamadam vake. Akatumira message kuna Sweetman nefone
yake, Sweetman haana kutambisa nguva aiwa, akabva atumira message pafone yaIsabella
sezvavakange varangana nekunyorerana pasi zuva rakange rapfuura.
Barbra akatanga achinetsekana kushandisa fone iyi asi shungu dzaaive nadzo
dzekuendeserwa gupuro dzakamupa hasha nekumushaisa tsitsi paupenyu hwaIsabella.
Pavakapedza, akaisa fone yamadam vake pacharger nekuti aida kuti Lewis paaizoiona inge
yakaguta moto ishaye chinokanganisa kuti anyatsoverenga mamessages ange akamumirira.
Atove masikati; Sweetman akazomufonera ndokuti; “Ndasenderawo muchinda message,
andifonera ane hasha dzisingaite angangouya kumba manje manje, put your things in order and
delete calls and chats from me.”
Barbra akaita sekurairwa kwake, akatanga kuita basa rake mumba umu achiimba “Mumba
mababa mune mufaro usingaperi.”
Pasina nguva, Lewis akasvika ndokungonanga kwaive kwakarara mudzimai wake. Akawana
Isabella achizamura, stretching kubva kuhope dzemadzikirira dzaange arara zuva rese musi
uyu. Aitoshamisikawo paakatarisa nguva kuti ange arara zvakanyanya kupinda mamwe
mazuva.
Akasekerera paakaona murume wake achipinda ndokuti; “Hie my love, you are home early.”
“Who is Nathan Hamadziripi?” Lewis akadaro akatarisa mudzimai wake.
“Ah why?” Isabella akadaro achishamisika.
“Answer my question! Is it so difficult?” Lewis akabvunza ari very serious.
“My ex boyfriend taive tese kuCollege, ndakambokuudza wani nhai honey.” Isabella akadaro.
“You did not tell me you met recently and muri kutaura mese.”Murume akapomera mudzimai
wake.
“C’me on Lewis, ndakasangana naNathan yes, but takango ….”
“Ndange ndichazozviziva riini?” Lewsi akadaro nehasha neshanje dzebhuru rapindirwa
mudanga.
Isabella akasimuka achifamba kuti abude mumba umu, “ I cannot talk to you when you are like
this honey. Can we discuss this later when you have cooled off.”
“Cool off? Cool off how when another man is claiming the child I think is mine!” Isabella
akatarisa murume wake ndokudzungudza achifamba achibuda.
Mudzimai akandogara muLounge mavo achiedza kufunga kuti yaimbove nyaya yei yaitaurwa
nemurume wake, hazvina kumushaisa mufaro wake. Semunhu aive asina zvaanoziva aingoti
kanyaya kari kupfuura.
Lewis akaita nguva ari kumba kwaairara nemudzimai wake ndokuzouya pave paya maziso
atowedzera kutsvuka. Akasvika ndokukandira Isabella cellphone yake. Isabella akatora
ndokuverenga a very long chat yainzi yaive pakati pake naNathan Hamadziripi. Mukadzi aibata
muromo achirohwa nehana pane zvaiverengeka apa.
“Get out of my house Isabella, enda kuna babavemwana wawakatakura.” Lewsi akazhambatata
akatarisa mudzimai wake.
Isabella akasimuka ndokuswedera kumurume wake; “Honey please, you can’t be believing this,
there is a problem somewhere. I don’t remember writing those mesaasges, I was sleeping the
whole afternoon, ask auntie Barbra ……”
“Unonyepa, and hapana wekubvunza mange makarara mese here naBarbra wacho? Wange
wakazvivharira zuva rese chatting withyour boyfriend. I said get out of my house!”
Isabella akabata Lewis maoko, ndokuti; “Ko go and get a print out of all my chats nhai Lewis, iyo
affair naNathan ingaite ye one day here? Panofanira kuveka nemaprevious chats, chii chiri
kukutadzisa reasoning nhasi kudai?” Murume akaregedzera mbama yekuseri kweruoko.
Yakandomhara panzeve, Isabella akatadza kumira ndokundozvambukira pasi, pakati pesofa
necoffee table achirovera pasi nedumbu. Lewis ange ave kudzana dzana seakatsika mazimbe.
Barbra paakanzwa mhere mhere akapindawo mumba umu, akasvikopfugama nechekure
ndokuti; “Ko madam vaita sei nhai baba?”
Lewis akatora fone yaIsabella ndokukanda kuna Barbra, uyo akaverenga mamessage aye
nekukurumidza nekuti aimaziva ese. Barbra akaramba akanyarara, akangosimuka
ndokundobatsira Isabella kugara pasi. Lewis akafona number dza“Nathan Hamadziripi.” Akaita
kuti zvavaitaurirana zvinzwike navese vaive mumba, fone yakadairwa ichinzi;
“Chii zvakare muchinda iwewe, inga ndatsanangura wani. Kana uine nharo then mukadzi
ndewako yes, asi mwana ndewangu.”
Lewis akakanda fone yake pasi ndokurova chibhakera mumhepo. Isabela ange achizvimba
muviri wese zvaive pachena kuti BP yake yange yakwira chaizvo. Akasimuka ndokutatarika
achienda kumba yekurara.
Barbra akakurumidza kuti; “ndave kuenda, ndachaisa.”
“Ok take your things, ndokuperekedza zvangu, I need some air.” Lewis akadaro achitora makey
emota yake.
Barbra akaenda mubathroom ndokundozvitarisa pamirror, akasekerera achizvitsunya nekufaya
kwakange kwaita zuva iri rainzi nhasi. Akageza kumeso kwake ndokunyatsopoda zvakanakisa,
akabvisa mbatya dzebasa ndokupfeka kaskirt kake kamini nekatop kaihafura chipfuva chake
zvaidakadza meso emunhurume.
Vakabuda vese ndokupinda mumota voenda kuWarren Park. Havana zvavo kunanga kumba,
uye Barbra hapana zvaakataura akaramba akanyarara achipa Lewis mukana wekupedza hasha
dzake. Lewis akandopaka panzvimbo yaigochwa nekunwiwa, akabuda ndokundotenga nyama
nemadrinks ndokudzoka, akaisa pabonnet pemota yake ndokubva adaidza Barbra uyo akange
ave busy pafone yake kuudza Sweetman naHazel zvaiitika.
Vakaita nguva vakanyarara vachidya, Lewis ndokuzoti; “Handina kumbofunga kuti Isabella
angaite affair, or I would question paternity yemwana wangu.”
Barbra akambotsenga nyama ndokuti; “Ko hamusi mamhanyisa here, dai mamboterera kuti
vange vachitii nazvo.”
“Zvambodii? Nyangwe dziri nhema, why zvaitika kudaro ane nyaya dzechii nevanhu
vangamurongera zvakadaro. It’s scary you know? Iye Nathan wacho ari kuwana kupi simba
rekutaura zvese izvo so confidently.”
“Panonetsawo ipapo, and vakadzi vanonyanyodiwa ndovanoita zvakadaro. Ko Bishop
mukavaudza?” Barbra akadaro achiita seasina hanya nenyaya iyi.
“It’s too early for that, I don’t want our issues kuti dzisvike kuvakuru vechurch. I love Isabella,
am just shocked.”
Barbra akavhara tsamwa yaakaona aridza nekukosora chaizvo seadzipwa, Lewis
akazopedzisira ave kumurova rova musana. Pave paya Barbra akati; “Chete zvinonetsa, vanhu
ivava vanopiwa too many chances vachiregererwa zvese zvese vanozoita worse, zvaanoita
next time zvinokuuraya.”
“You are very right, unoziva kuti chii? Tange tisina kumboplanner mwana naIsabella,
ndakaenda kuThailand for a month, ndokudzoka achiti she is pregnant. This Nathan guy aziva
zvese izvi sei, murume ari kutodawo mwana wake. He has details of our life zvinotoshamisa,
akazviwana kupi? Only Isabella ndiye angazive zvakadaro.”
Barbra akaramba akanyarara, Lewis akabva ati; “You are a good woman, dai usipo nhasi
ndaikuvadza Isabella ndikafira mujere. Uri kundibatsira kuona things clearly.” Lewis akabata
Barbra ruoko, mukadzi akanyemwerera ndokutsikitsira.
“Please usawanewoka waunoudza about this, but allow me kukufonera nekutaura newe
anytime nekuti zviri kundi stressor, since zvaitika uripo, ndiwe wega munhu angandinzwisisa”
“Pakanaka, anytime ndichave shamwari yepedyo. Musaregera hasha dzichikuparadzai,
muupenyu mune zvakawanda nevakawanda vanokudai. Isabella haasiye your alpha and
omega.” Barbra akadaro,
Lewis akakwanisa kusekererra mukurwadziwa kwake ndokuti; “I thank God ndakasangana
newe zvakadai zvichiitika, dai wange usipo ndaimhanya to tell wrong people.”
“You are a good man, usabvumire vanhu vasingatende zvaunovaitira kuti vave muupenyu
hwako.” Barbra akadaro.
Lewis akagutsurira ndokuti; “Thanks so much, handei ndinokusiya kumba kwako. Hausi kuuya
kwedu mangwana handiti, but ndokwanisa kukufonera for advice and support.”
Barbra akakwanisa kungonyemwerera vachipinda mumota vese. Mukadzi akandorara akafara
achigutsikana nezvaiitika muupenyu hwake.
Lewis akasvika kumba kwake ndokutenderera imba yese achitsvaga mudzimai wake. Paasina
kumuwana, akafonera munin’ina wemudzimai wake uyo akamuudza kuti mukoma wake ange
ari kumba kuna mai vavo kuChitungwiza. Akambotumira mamessage ekutenda kuna Barbra
kusvika arara.

TOO BUSY TO DIE


Chapter 8
Stories by: Rutendo L. Nzira
Lewis akaita mazuva maviri akagara ega akanyarara mumba make achitemeseka musoro
nepfungwa pamusoro penyaya yake nemudzimai wake. Nedzimwe nguva aionekwa achieredza
misodzi ari ega achifunga kuti achazovei asina mudzimai wake.
Kufunga kuti Isabella wake angave nemumwe murume waanosekerera raive pfumo kwaari, asi
akada kutsvaga chokwadi nekuziva kuti upenyu hwake nemuchato zvaive zvakamira sei uye
aizovei asina Isabella. Akaramba achidaidzira kuna Mwari wake kuti nyaya iyi ive yenhema uye
ipfuure agare nemudzimai wake sezvavaive kare.
Akabva arangarira nyaya yaakamboudzwa naIsabella vachangosangana, achiti vaimbove best
friends naHazel, vakaparadzana nenyaya yemurume. Akada kunzwisisa kuti chii chaizvo
chakaitika. Nekuti pakataurika nyaya iyi haana kunge aita hanya nedetails kuti chii chakaitika
uye zvakafamba sei. Asi apa akaona kuti kana dai aizoziva nyaya iyi nemazvo zvaigona
kuzomubatsira kunzwisisa unhu hwaIsabella hwakange hwakavanzika kwaari, uye zvimwe
zvinhu zvakamboitika kare. Zvaigona kuzomujekesera kuti azive kuti Isabella anofunga sei uye
angaite zvakadaro here.
Akafunga kuti sister Hazel vaikwanisa kuzomubatsira, she was a woman of God, an anointed
worshipper in the house of the Lord and a private assistant of the mighty man of God, vaigona
kumubatsira kuti azive zvaiitika mumba make.
Musi weChipiri achibva kubasa masikati, akandogara ega mumba make achirwadziwa
nekusuwira upenyu hwake hwaange ajaira naIsabella. Ange ave kufunga kuti afonere Barbra
kuti vambotaurirana asati ataura naHazel.
Akabva afonerwa naambuya vake amai vaIsabella vachiti Isabella ange amhanyiswa
kuAvenues Clinic achirwara zvakaipisisa. Akabva ambosiya zvese zvaaiita ndokuendawo
kuClinic kwakange kuchirapiwa mudzimai wake. Akawana mudzimai arembedzwa tambo dzese
nemishini yekumubatsira kuti arambe ari mupenyu. Kumeso kwake matama aiita seapomberwa
mweya nekuzvimba kwaange aita.
Vakagara vese vakanyararisana amai vaIsabella, nemunin’ina wake naiye mukwasha Lewis
vakamirira kuzonzwa kubva kuna chiremba. Ambuya vange vakasungira dhuku ravo mumaziso
vasingade zvekutaura nemunhu. Munin’ina waIsabella ange akabata amai vake ruoko
vachisimbisana, achipota achitarisa vaimbove babamukuru vake neziso rekutsamwa nehasha.
Lewis airwadziwa nezvaiitika, ange ave kuvhiringika asingachaziva chakanaka nechakaipa.
Aingodemba kuti dai nyaya iyi isina kumbobvira yaitika zvayo, aive nemibvunzo yakawanda asi
pasina mhinduro zvachose.
Mushure meawa yese, Chiremba vakauya ndokuti; “You are Isabella Katsande’s family right?”
Lewis akasvetuka achiswedera padyo naChiremba ndokuti; “I am her husband, that is her
mother and sister, how is she? How is my wife doctor?”
“Come to my office” vakadungamidzana vese ndokundogara muoffice machiremba.
“Mrs Katsande is now stable, she will be fine. I am sorry she lost the baby, due to extremely
high blood pressure, the baby could not survive. But the mother is fine, she needs to rest and a
lot of family support so that her blood pressure stabilizes.” Chiremba vakatsanangura.
Chiremba vakazopedzisa kutaura amai vaIsabella misodzi yoerera. Lewis akadzungaira
kushaya pekubata with mixed feelings. Vakabva vazoenda vese vondoona Isabella. Vakadzi
vatatu vakangotarisana ndokuchema misodzi, hapana akataura shoko. Lewis akaswedera
padyo achida kubata ruoko rwemudzimai wake asi Isabella akadzungudza; “Are you happy
now?” Isabella akamubvunza asi Lewis akatadza kupindura izvi. Vakazoparadzana voenda
kudzimba kwavo.
Lewis akasvika ndokurara asina kudya, pfungwa dzichipishana nezvaiitika muupenyu hwake.
Akazvipira kuti akurumidze kuwana umboo hwese hwaiita azive paamire nemudzimai waange
akaroora. Akabva afonera Hazel; “Sister Hazel, zviri sei? Ndaita problem, ndokumbirawo
kukuonai mangwana kana muri free, in the morning. Kumba kwangu.” Lewis akadaro inzwi rake
richinzwika kuneta.
Hazel hana yairova nemufaro uye mukana wange wazviuyira wega; “Are you ok baba
Katsande?”
“I just got serious issues of life that I need information from you.” Lewis akashingirira kudaro.
“Ok ndosvika kuma 10am, do not worry, God is in control.” Hazel akadaro semunhu waMwari.
“Thanks so much my sister, I needed to hear that….” Lewis akadaro achinge achachema.
Hazel akarara akasekerera nekuti aiziva nyaya yaange adaidzirwa naLewis, akanyatsoruka
nekukwenenzvera mashoko aaida kundotaura kunaLewis aizotuma Lewis kuti aite zvaaitarisira
chaizvo, akagutsikana.
Lewis ange otadza kushanda, ange ongoswera mumba pasina chaaiita, kwaive kubata bata
nekuona photos and videos ake nemudzimai wake mazuva avaifara vari vese zvaive
muComputer yake.
Pazuva rakatevera, Hazel akasvika pamba paKatsande 10 dzamangwanani dzichichaya
sekuvimbisa kwaange aita. Mushure mekukwazisana, vakagara pasi vese Lewis ndokuti;
“Thank you very much sister Hazel, this is very difficult for me, but I need closure, I need to
decide and to move on. So the information you are going to give me, will help me do all that.”
Hazel akanyatsozembera musofa agadzirira kudya kwenzeve dzake. Lewis akaenderera achiti;
“I want to know what happened between you and my wife, kuti musazove mafriends,
akambondiudza in passing kuti makapesana nenyaya yemukomana. What really happened?”
Lewis akabvunza.
Nyangwe Hazel aifarira kutaura zvakaipa pamusoro paIsabella, nyaya yaWilliam yaimurwadza,
aisada kuramba achiidzokorora. Akangoti; “Yes we were best friends, and your wife ruthlessly
and shamelessly dated my fiancé, a few months before my wedding. I can confidently say she
caused his death. Dai asina kutiparadzanisa, William would be here with me now.”
“What does that mean……. I mean character-wise, I am just thinking…..” Lewis akadaro
achinge aitaura ega. Bva, Hazel ndomubvunzo waange akamirira.
“Simple, she believes she can get any man that she wants, at anytime and can get away with it.
Where is she anyway, ngaauye pano nditaure aripo musazosara muchinditi ndanyepa.” Hazel
akadaro kunge aisaziva kuti Isabella airwara muchipatara.
“She is not here, she had a miscarriage, she is in hospital as we speak. We had adultery issues
in our marriage, that’s why I had to dig up the past a bit. I am confused, I feel like I don’t know
the woman I married anymore. Who is Isabella?”
Hazel akaseka ndokuti; “Miscarriage yekwaani, kuti ndokutanga here? Maabortions hobho
aaingoita.” Hazel akadaro ndokutarisa Lewis kuti aone kuti aifungei nazvo.
Akaenderera achiti; “Anyway that’s not the issue we have here. But who would want to keep a
baby asingazikanwi kuti baba vacho ndiani? I am really sorry, some characters are hidden, asi
panozoitika chinhu chimwe chete chinovhura zvese.”
Lewis akadzungudza ndokuti; “But sister Hazzie, you are a prayer warrior, help me here. You
were friends naIsabella for a long time, do you think she is the adulterous type?”
Hazel akaseka ndokuti; “Don’t be ridiculous. Dai ndaiziva kuti achanditorera boyfriend aizoita
shamwari yangu here? She shocked me the way she just shocked you now.”
“It’s fine, thank you for the infor, I know you are saying the truth sister Hazel, but this is getting
more complicated than I thought. I was actually hoping to get some information that would prove
her innocent.” Lewis akadaro achipererwa.
“I am also sorry to disappoint you. You can do your investigations, find infor from someone
else.” Hazel akadaro achiratidza kunzwa tsitsi.
Lewis akagomera ndokuti; “No no no, do you think this was easy for me, can you imagine what
the information you are telling me is doing to me? It’s killing me. You are confirming things I
have been praying kuti zvisave chokwadi kuti ichokwadi. Now I see there is a possibility that my
wife had an affair …”
Lewis akagara pasi ndokubwaira bwaira seave kuda kuchema, akasimudza musoro ndokuti;
“Thanks my sister, I want to be alone now.”
Hazel akasimuka ndokuti; “Life sucks, I know exactly how you feel, zvakamboitika kwandiri and
its hell I tell you. But kana vamwe vakabuda mazviri so can you. Zvakaoma asi hazviurayi.
Betrayal is real, sometimes uchinzwa nyaya dzevamwe you think hazviitike kwandiri but here
we are, I am sorry. I will remember you in my prayers. Still God is in control.” Hazel akadaro
ndokusimuka obuda. Akaona kuti akaramba aripo achitaura aizoitirwa hasha nemurume
aidzimbikana nekuparara kweimba yake.
Lewis akasara ndokufunga zvese zvange zvataurika, semunhu aivimba naHazel nekuda
kwechigaro chake muchurch, akagutsikana nenhoroondo iyi akati mudzimu wakupa chironda
wati nhunzi dzikudye.
PaSvondo rakatevera, Isabella akabuda muchipatara ndokuenda kumba kwavabereki vake
kuChitungwiza. Lewis ndiye akandomutora kuchipatara ndokumuperekedza kumba kwavo, uye
kubhadharawo mari dzese dzaidiwa muchipatara nekutenga mishonga yese yaainzi aifanira
kuzondopedzera ave kumba.
Vaviri ava vakatadza kutaudzana kana kubvunzana zvako nezvenyaya yaive pakati pavo. Vese
vakange vakagumbuka uye vasingazive pekutangira. Kunyararisana kwavo, kwakapa mukana
wekupinda kwezvimwe zvakawanda zvaiwedzera kuvaparadzanisa.
Musi weMugovera wesvondo iyi, Lewis paakaona ave kusurikirwa ari ega, uye asingade kutaura
nemashamwari ake echirume, aisada kutaura nevanhu nezvemumba make, akafonera Barbra
vakandoswera kuLake Chivero. Musi uyu haana zvaakataura nezvaIsabella, vakatandara
vachitaura nezvavo vari vaviri kuita sekuti kwakange kusina vamwe vanhu kana zvimwe
zvainetsa muupenyu hwavo. Zuva iri rakanakidza vese, Lewis akanakidzwa nekuterera
kwaBarbra uye kusaziva kwake zvedhorobha, akanakidzwa achimuudza zvakawanda
zvaaisaziva.
Barbra ainakidzwa nekusetswa nekuseka nemurume aimurovesa nehana, murume waakange
andoitira mhiko dzaimuzoresa mafuta aaisaziva kuti ndeemhuka ipi pese paaienda
kundoshanda kumba kwake. Akange onzwa hwuMrs Katsande kunhuwira.
Musi weMugovera wakatevera, Hazel akadaidza Barbra ndokubva vasangana mudhorobha,
vakandogara paWimpy Hazel ndokutaura hurongwa hwaaive nahwo pamusoro peupenyu
hwaBarbra. Barbra haana kunge audza Hazel nezvaambuya Mangena, yaive secret yake
yaakange asingade kuti izivikanwe kana nani zvake.
Zvaisaita kuti amuudze kuti aizora mafuta ainzi kana Lewis akamutarisa arambe achimufunga,
ko zvaitaurika here kuti aipfungaidza twumidzi mumba manaKatsande achidaidzira kuti Isabella
chikanganwa nezveimba ino usadzoke futi kusvika wafa. Hazel aizotii nazvo? Aizoti saka plan
yaakaita yechitororo iyi haina zvayakashanda here.
Hazel akatarisa shamwari yake ndokuti; “Ndoti chii? Toti takahwina here nhai asikana?” Hazel
akadaro achibvunza Barbra. Barbra akanyara nyara kunge mhandara yaitaura navatete
pamazuva ekutanga kupfimbwa.
Barbra akabva ati; “Ndofunga zviri bho, ari kunonoka kutaura kuti ave kundida, asi tinoswera
tese. Pandinoenda kundoshanda kumba kwavo, nguva yakawanda inyaya, kana iri weekend
totoenda out chaiko kundotandara asi anondiita kunge sisi vake.”
Hazel akaseka ndokuti; “Patience mainini patience, dzikamai usiku hurefu. Munhu akarwadziwa
kana akakurumidzisa kuita imwe relationship anenge achingokudembera nezvavamuhure vaye
vakaenda. Mupe nguva. But pane zvandave kuda kuti uchiita now.”
Barbra akafemedzeka nekufara akati; “Anything sisi, ndoitei?”
“Yangu ndakapedza, Isabella akadzokera kuvabereki vake, haachina murume, ave mvana
yakarambirwa chihure, inini ndichiri single and searching.” Hazel akamboseka ndokuenderera
achiti; “Ngatichionai kuti iwewe wave Mrs Katsande sezvaunoda. Ngatiitisei Lewis jealous, atsve
moyo abve aona kuti akaramba achinonoka uchatorwa nevamwe.”
Manzwi aya akatapira chaizvo munzeve dzaBarbra, akanyemwerera zvekuti akaona masiriri
ave patable pavaive vari. Akakurumidza kupukuta neka serviette kange kakaputirisa ice-cream
yaaidya. Hazel akafinyama achisemburwa ndokutsikitsira asi haana zvaakataura.
“Ndoda kuti uchichinja lifestyle yako, uite mudzimai wanhasi, wepataundi. Wochinja mbatya
dzako, matauriro mafambiro, mashamwari, kana masekero nematsengero chaiwo amainini. And
wobva kwauri kugara, wogara wega muflat, kuti kana bamunini vakashanya unovasotera
mumba mako, vazoona kwaedza varimo nhaika?” Hazel akatsanangura.
Barbra akasekerera achizvitarisa tarisa ndokuti; “Inga ndinogeza wani nhai sisi Hazie.”
“Yes you are always smart, and you are very beautiful, toda kuti zviwedzere uite professional
lady. Anopfeka suits and stilletos, like I promised, unouya wozoita receptionist kuCompany
kwangu, uchazoona kuti vasikana variko vanopfeka sei, vanotaura sei, then wodzidzawo. Ndine
flat kuBudiriro, wondogara ikoko, kwaigara Accountant wangu manje akabuda ave neimba yake.
I know it will be temporary for you because hwumadame Katsande hwuri kukudaidza Mebhorini
uko.” Vakadzi vakaseka vachirovana maoko.
Hazel akaenderera; “Simple things like a hairstyle should last for 2 weeks only, kwete
zvatinoona mumastreets umu kumirira kuti weave ibve yega. Your nails agadziriswe manicure
and pedicure zvinyatsoitwa. I can see face make up unoigona, excellent. But just saying,
unoona some ladies with trimmed eyebrows, face well polished asi muhapwa muine sango
rebvudzi ratove red and richinhuwa dikita. Bvudzi rese riri under garments ubvise ndokuti roll on
nema deodorants zvibatire. Murume waunoda is smart and classy, unofanira kusvika
pastandard iyoyo kuti akuone, nhaika.”
Barbra ichi chikoro aichida, ange asina nungo nekuchidzidza, aiterera zvese zvaitaurwa nasisi
vaaiyemura ava.
Hazel akaenderera achiti; “So your first make up will be my treat, toenda tese kuSalon
panoenda Euthenia ladies this afternoon. Ko muchurch hamuna zvaunokwanisa kuita here?
Kuti umire mire uchionekwawo.”
Barbra akabva ati; “Ndogona décor sisi Hazzie, pandaive kuMasvingo ndakatodzidzisa
musikana anonzi Rudo aigara next door, iye akazoramba achiita ini ndikatadza ndoitawo
zvimwe.”
“Oh great, ubva waita zvekuti munhu wese anozviona kuti unozvigona. Inini I will make sure
Bishop vakutenda by mentioning it in front of everyone during the service. Nekuti now the
Church hires vanhu veDecor everytime, saka ibva waita nzvimbo yako iyoyo zvachose,
especially kana wave Mrs K.”
Barbra ange ongogutsurira akaterera achiona kuti ange otangana nezvimwe muupenyu hwake,
ko zvakwange kwatove kushandira hwuMrs hwacho nhandi ah.
Hazel akabva ati; “And one more most important thing, kana mave mese naLewis you have to
forget about everyone, vana Ben nemamwe maboorangoma NO NO, nhaika. Wazviona kuti
muchinda wacho akangofungira zvake kuti uri kumutamba unorova road and haateveri.”
Vakazosimuka apa voenda mumaBoutique votenga mbatya itsva dzaBarbra dzaaizoendesa
kubasa pamusi weMuvhuro waitevera.

TOO BUSY TO DIE


Chapter 9
Stories by: Rutendo L. Nzira
Vhiki yese yakatevera Barbra aidzidziswa basa paBedzanyota Drinks Company yaHazel
yezvinwiwa, akafarira basa rake iri chaizvo nekuti aiswera akangopoda akanaka, vatengi vese
vaiuya apa vaitanga vaona iye vozoita zvimwe, uye dzinhare dzese ndiye aidavira achipa vanhu
zvavaida kunzwa.
Musi weChitatu pavhiki iyi pakapinda runhare semazuva ese akapindura, munhu wacho aida
kutaura naBoss Hazel, Barbra akangoendesa runhare rwacho kuoffice kwemukuru webasa
pasina chaaifunga. Mushure memaminitsi angasvika mashanu, munhu uya akafonazve
ndokuti; “Your voice sounds familiar, ndiBarbra here?”
Barbra akabva azivawo kuti aitaura naLewis, vese vakaseka Lewis ndokuti, “I was trying
cellphone yasister Hazel for a long time it was not reachable, so I decided on calling her
landline. Ndazotaura navo zvangu but ndange ndichingofunga kuti I know that voice radavira
pareception. Why didn’t you tell me kuti waakushanda ikoko?”
“Ko zvine basa rei nhai vaKatsande kuti muzive kwandave, inga ndakaoneka kwamuri wani kuti
handichauya kumba kwenyu…..” Barbra akadaro akadzikama chaizvo.
“No no, you don’t see what you are doing to me handiti, I want to know your every move, I am
your guardian angel.” Lewis akaseka ndokuenderera achiti, “Manje nhasi ndange ndichiti
undiperekedze kwaMutare, zvino wave pabasa, saka ndoita sei nhai Bee?”
Barbra akaramba akanyarara hana ichirova, makumbo achihuta nemufaro wezvaitaurika apa.
Asi sezvo Lewis aiziva kuti yaive mhandara,aisafanira kungomhanya kuenda nevarume for
overnight saamai vakuru vanoziva varume.
Akabva ati; “Ah handisi mukadzi wenyu ini, toenda kwaMutare kure kwese uko sei nhai?”
Lewis akambonyarara achifunga ndokuzoti; “Ok ok, I hear you. Ndichauya ndokutora after work
then totaura. Ndafona zvangu ndichida kutenda Boss wako, she helped me a lot nenyaya
dzangu dziye. So manje kuti ndimubvunze about you, I didn’t want to raise suspicion, so I
decided to call again. Kunge wakandidyisa….” Lewis akazviseka akazorora zvake, “… I can’t
stop thinking about you. Nhasi unozondibikira supper handitika, be prepared for that. Bye.”
Barbra akambotarisa runhare ndokuzotsveta pasi achiruma muromo wepasi, akaona ave
kusinina dikita hana ichirova. Akatanga kutambisa gumbo rake rekurudyi ndokuti nezeve zeve
“Zvaringana, huya zvako Lewis ndini mukadzi wako.”
Akazoswera achiita basa akafara chaizvo kusvika nguva dzekuchaisa dzakwana.
Lewis naBarbra vakapfuura nepa Mabelreign Spar vachitenga tenga tumastondido twekuti
vanokangirana musi uyu. Pavakasvika pamba paLewis, vese vakashama kuona Range Rover
yaBishop Isaac Gambiza yakamira pagedhe pake, vaivepo vese baba namai Gambiza vakange
vashanyira mutendi wavo. Vese Lewis naBarbra vakarohwa nehana. Barbra akabva angosarira
panze, akanyepera kutenda Lewis kuita seakange angopiwawo lift vachiuya kunzvimbo imwe
chete. Akarova gogo achidzokera kumugwagwa kwaikwirirwa makombi kuti aende kuBudiriro,
nzira yese aingoridza tsamwa nekukanganiswa kwaange aitwa navakuru vesangano ava.
Amai Bishop havana kutambisa nguva, vakange vagumbuka nekuona Barbra ari pamba
pemumwe mudzimai wesangano ravo, achifamba nemurume wemumwe zvisina kuvafadza
mumaziso avo. “Baba Katsande, vari sei amai Katsande.” Mai Gambiza vakadaro vachigara
pasi mumba mana Katsande. “She is fine she is at home now, discharged.”Lewis akadaro.
“Vari pano here? Vakazorora?” mai Gambiza vakabvunza vachicheuka cheuka.
“No ari kuvabereki vake, hatina kugadzirisana nyaya yatakanetsana.” Lewis akadaro.
Bishop Gambiza vakabva vati; “Takangondovaona muhospital paye, and we decided to give
you time, we expected you to come and explain to us, what’s going on?”
“Baba, my wife or rather ex-wife failed to give an explanation about mamessages andakaona
mufone make. Nhumbu yaaive nayo yange isiri yangu, the messages confirmed that, and it
looks like akaibvisa ndosaka akarwara kudaro. I failed to take her back. I can’t and I won’t take
her back” Lewis akatsanangura.
Vakuru vesangano vakamboita nguva vakanyarara vachifunga kuti vodii nevana vesangano
ravo.
“The Isabella that I know would never do that, makamhanyisa babamudiki. Dai makataura
nevanhu vakuru, taking your time to investigate who are your enermies. Because Isabella
insists it was a set up.” Mai Gambiza vakadaro.
“Ah, I have put this issue behind me. If only she could explain, because she confirmed kuti the
Nathan guy is her ex-boyfriend, there was mention of all my business trips and accurate
calculations of the pregnancy. If it’s coincidence then umm ndaita mudiki pazviri.” Lewis akadaro
achidzungudza.
Mai nababa Bishop vakambopererwa nekuti nyaya yekuti Nathan aimbove mudikanwi wamai
Katsande vakange vasingaizive.
Mai Gambiza vakabva vati; “Asi pane zviri kutaurwa namai Katsande, it seems pane munhu
ari kuziva life yenyu and the set up was meant to break you up. Ko did you meet Nathan wacho
kuti muone kuti ndiye chaiye? Nekuti Nathan is just a name saved in the fone, and a voice at the
end of the line.”
Lewis akashama n’ai achiratidza kuneta nekutsanangura nyaya iyi, zvisinei akavati; “I tried
it akaramba, and after 2 days the number was no longer in use. Zvakandinetesa ndikashaya kuti
ndodii. My point is, Isabella aifanira kungondipa a good explanation but hapana zvaakakwanisa
kutaura.”
Mai Gambiza vakabva vati; “Umm inga zvakaoma, but you know God hates divorce, in your
case ungarambire mukadzi App messages pasina imwe evidence seriously? Something is not
right somewhere. I believe in what Isabella is saying ini hangu. And my fear is kana iri set up,
those people hate both of you, they are up to no good kwamuri mese, be careful on who you are
talking to.”Amai vakuru vesangano vakaraira.
Lewis akagutsurira achiti; “I thought so too. That’s why I am just quiet hapana munhu
andakambotaura naye about this issue kunze kwenyu. And it was because of the miscarriage
or abortion incident zvakaita kuti ndikuudzei, otherwise even my parents and family handisati
ndavaudza, as it is hapana anoziva.”
Bishop Gambiza vange vakanyarara nguva yese nekuti pfungwa dzavo dzakagumirwa
dzikavhara kuti dhwa, pavakaona Barbra vakanzwa inzwi rake vari paLodge achiti; ‘ndinoda kuti
munditsigire pane zvese zvandichaita muchurch menyu,’ ndizvo here zvaakange otoita
muEuthenia izvi?”
Mai Gambiza vakabata murume wavo ruoko ndokuti; “Nhai daddy, what’s the way forward,
babamudiki vari kuramba mudzimai ka ava.”
Bishop vakaita sevamuka kuhope, vange vovaviwa nekuda kufonera Hazel kuti vazive kuti
chii chaitora nzvimbo. “I need to spent some time in prayer about this issue, kuti tinzwe kuti
Mwari vari kuti chii. I admit this is the most unexpected thing I have to deal with in my
Ministry. I will support you my brother, usabude muchurch, ramba uri pana Mwari whatever
happens. Zviri nane kutadza uri pana Mwari, pane kupenga nenyika uri kunze uko. For His
grace is sufficient for you, gara padyo nenyasha dzake, in church, nerimwe zuva dzichasangana
newe.”
Vese vakambonyarara, Bishop vakange vakatarisa pacoffee table yaive mumba umu pasina
chavaiona vachitenderedza ring yemuchato wavo kunge yange yovashinya. Vakazoenderera
vachiti; “If I may ask babamunini, what have you decided?”
Lewis akambofunga ndokuti; “Am trying to get used to my situation, kuti I am not married
anymore, then I will come to you and the elders and let you know officially. Maybe introduce you
to you my new wife.”
Mai Gambiza vakashama muromo; “Ah mai Katsande ane mwedzi chete abuda muno matove
kutaura zvemumwe mukadzi? Asi aingovepo varipo?”
Lewis akabwaira bwaira achinyara zvaakange ataura, Bishop Gambiza vakabva vati; “We will
keep praying for you, update us zvamunenge mafunga no matter how bad it is. It’s not right
kuti tinzwe nevamwe vanhu, and kana vanhu vave kutaura, hazvibude zvakanaka.”
Baba namai Gambiza vakabva vasimuka kuti vachibuda, Lewis akavaperekedza ndokuvhara
gedhe rake pavakabuda. Akabva afonera Barbra nguva yakare iyoyo uyo akamuti ange
atosvika kumba kwake atozorora.
Mazuva akamhanyidzana, mwedzi ikafamba, mushure memwedzi mitanhatu, Lewis akabva
azotuma munyai wake negupuro kumhuri yana Isabella. Vakuru vese vekwake nevekwaIsabella
vakaedza kutaura naye kuti aregerere mudzimai wake asi zvakashaya basa, kana amai vake
Lewis, ambuya Katsande vakachema kuti mwana wavo avaterere asarambe mudzimai wake asi
akaisa zvitanda munzeve kusvika vese vatambira zvaivepo.
Kunyange zvange zvakaoma kwaari Lewis, asi kutandadzwa naBarbra kwakamubatsira
akakurumidza kugamuchirawo zvange zvave muupenyu hwake.
Kubvira paakaendesa gupuro kumusha kwana Isabella, vange vachiva tsika nditsikewo
naBarbra, kana nemuchrch chaimo masikati machena, pane vanhu, vaionekwa vakagara vese
vakabatana maoko. Kuzoti kumba kwake kuMabelreign usiku, behind closed doors,
ndichagotaurei kana muchurch vaionekwa vese in broad daylight. Barbra akabva adzidzawo
kudriver, aionekwa achienda kubasa kwake neToyota Hilux yaLewis Katsande. Zvakange
zvamutora moyo paakaona Isabella naLewis zvange zvave kuitika kwaari.
Aifamba akabatwa ruoko pakati pedhorobha, kisses anywhere anytime, kana kundoona tete
kuBanket vakaenda vese. Sezvo vabereki vese vaBarbra vaisavepo, vana babamunini nanatete
vakaitirwa zvese zvavaida, mumwe nemumwe. Hama dzake dzese vakasara vachigutsikana
nemukwasha wavo nekuti akasiya atenga tenga uye kusorovha twunhamo twevanhu
paruzevha. Mukwasha akatenga waya dzekugadzirisa zvizumbu zvehuku, mapango edanga
remombe achitengwawo. Vana ambuya vakatengerwa mabhodho nekugadzirirwa madara
ekusukira nekuyanikira ndiro dzavo pamazuva matatu aakagara pamusha apa.
Vaiswera vari tsika nditsikewo nemudzimai nekuti amai Rumbie vaisada munhu anotaura
neboyfriend yavo pamusoro pana Rumbie. Lewis akafara nekutambirwa kwaakaitwa
paakandoona hama dzaBarbra, vakadzokera Harare murume ave kurova budget yekundoroora.
Bedzanyota drinks Company yange yakura, vave kuda kupa zvinwiwa kunyika yose, kana
Masvingo vaizosvika, Barbra akafarira kuti aizoendawo Masvingo kundoona vaakambogara
navo.

TOO BUSY TO DIE


Chapter 10
Stories by: Rutendo L. Nzira
Hazel aifara, business rake range rave kukura kupinda zvaaitarisira. Akabva afunga kutsvaga
imwe warehouse yekutengesera kuMasvingo. Sezvo Barbra akange ambogara muMasvingo,
akabva amuti aendeko naLogistics Manager wavo kuti vandogadzirisa kuti madrinks
agotumirwako.
Barbra akafara chose kuwana mukana wekumboenda kuMasvingo. Ange ave kutaridzika
sezvaaida chaizvo kuti Victor nenhamo yake andomuona. Mushure mekuita zvese zvebasa,
Barbra akaenda kuLodge kwavaizorara, akasvika muroom make ndokundogeza ndokuchena
chaizvo zvaange adzidziswa pabasa pake nepakosi yeOffice Adminstration yaakazoita in 6
months.
Akasiya mudhara waaishanda naye ari muroom makewo paLodge apa, ndokutora mota yebasa
oenda kwaMajange. Akasvika 5 dzemanheru dzichangochaya, akawana pamba pababa namai
Gwenzi pasina vanhu. Akaenda kuseri kwavaigara akawana paine mumwe musikana akati aive
student kuGreat Zimbabwe University akange achirojapo, uye aisaziva kuti Victor kana kuti
baba vaRumbie ndiani.
Barbra akatarisa kwambuya Tumbare akatadza kuona nekuti pange pave nedurawall yakareba
chaizvo. Akazoita zvekuenda nekugedhe akandogogodza. Akavhurirwa nemusikana aishanda
apa, achitevererana naRumbie naTadiwa. Vakaramba vakamira pagedhe musikana uyu
akatadza kumuti apinde sezvo vaisazivana.
“Ko ambuya Tumbare varipo here?” Barbra akabvunza musikana uya.
“Vaenda kuprayer group, munamato unopera na6. Ndingakubatsirai nei?” Barbra akamboita
nguva akatarisa vana vakabuda mudumbu make. Pange pave nemakore maviri akazara vasina
kumboonana kana kutaurirana zvako pafone, amai vange vongobwaira bwaira. Vana vange
vakahwanda kumashure kwasisi vavo.
“Ndini amai vana Rumbie, ndange ndichida zvangu kungovaona, handisi kugara.” Barbra
akazoshingirira kudaro.
Musikana uya akatarisa vana, akati; “Nhai Rumbie ndiani ava….?”
Rumbie akaruma ruma nzara yake ndokuti; “ah …. Sisi Yeu…. Vaimbove mamma vedu,
vaimbove mai Rumbie.” Yeukai akatadza kunzwisisa, zvisinei akati; “pindai zvenyu ndigofonera
ambuya. Asi munogara panze kusvika vandiudza zvekuita”. Yeukai akavhara gedhe
ndokuratidza Barbra machair aive paverandah kuti agare.
Barbra akacheuka cheuka achitarisa imba yambuya Tumbare. It was extended and renovated in
an exotic and latest way zvaakapa kutenda, kana imba yaLewis yekuMabelreign yange isina
kunaka zvakadaro. Akaona panze pakapakwa karhori kainge kakanyorwa kunzi Victorious Rudo
Events Management. Paivezve neimwe mota kia cerato yairatidza kuti yange ichangotengwa .
Akagara moyo wake woda kuona zvaive mumba asi aifanira kumirira ambuya Tumbare. Aidawo
kutaura nevana vake asi Rumbidzai akangosvika achipinda mumba asina kumucheuka. Tadiwa
akasara akagara naamai vake akanyarara akavatarisa kunge ane zvaaida kuvabvunza, ivo
vaingocheuka cheuka kutarisa zvaive pamba apa.
“Ko daddy varipi nhai Tadiwa?” Barbra akazobvunza.
“Vaenda kubasa vese namamma.” Mwana akadaro ndokunyarara. Yeukai akabva abuda
akabata mwana mucheche angaite mwedzi mitatu, ndokuti; “Ndokupai drink here kana mvura?”
“Aiwa I am fine, mataura naambuya Tumbare here?”
“Ehe vati vari kuuya manje manje”. Musikana akadaro. Tadiwa akabva apinda mumba
ndokubuda akabata foto album hombe hombe raikwana mafotos 200 chaiwo. Akapa amai vake
achiti; “Honai mai Rumbie, daddy vange vakachena, vese namamma.”
Yeukai akaseka achiti; “ZvaTadiwa nhai, munhu wese anouya pano anotaridzwa mafotos iwaya,
amai vavo vave kutoviga laptops and tablets ane mafotos emuchato nekuti vanongoswera
vakatarisa. Ende vana avaka, vakafarira muchato wevabereki vavo zvisingaite.” Yeukai
akarondedzera akafara zvake.
Barbra akavhura foto album iya ndokuona shura raaisatarisira, waive muchato waVictor
Madziva, naRudo Tumbare. Barbra akanzwa muviri wese kuti zhiririririri achipindwa nezvese,
chando nekutsva kunge ane marariya, achifunga kuti rombe rekwaMadziva rainzi Victor, ringaite
white wedding ah, kuti zvadii? Chinekewooo, wonders shall never end!
Akashingirira kuramba achiona, mifananidzo yavo muchurch, kupfekedzana maring, kissing the
bride. Victor ange asimba akaita zibaba giant akagukuchira his bride zvaitosvora maziso
neshanje kune vairwadziwa nazvo, uye zvaipa nyemwerero yekuyemura nekurumbidza Mwari
kune vaifara nevachati.
Rumbie aive mini-bride akafanana nemuchati aka Tadiwa kakanaka kari musuit seyababa.
Cake remuchato range rakaita mabhaibheri akarongwa zvakaisvonakisa.
Akarwadziwa achiona mifananidzo yaRumbi naRudo vari vaviri vakaumburuka patail regown
raRudo, vachiseka chaizvo kunge misodzi yekufara ichatoonekwa kuchururuka nepafoto pese
after months, apa vaive palawn yemuPark kuCivic Centre kwavakachatira.
Hana yakarova achiona vana vake vakakotama, vakasekerera chaizvo, vachiisa kisses
kumatama aRudo, vari side by side, sandwiching Rudo zvaiyevedza chaizvo. Iye Rudo
achiratidza kufara chaizvo kunge ndiye amai vavo ari mugown remuchato wake nababa vevana
ava.
Barbra ndopaakabvuma kuti zvaimunakidza kuudza vanhu Harare kuti haana vana, asi kana
vana vacho vaizotaurawo, kana kurarama zvakanaka sekuti aisave amai vavo, zvairwadza uye
zvaisagamuchirika.
Mabayo ake aye aisatana kumubata, akamudyunga achiona mhuri yevanhu vana ava
vachiratidza kubudirira nekufara pamuchato uyu. Akazoona mifananidzo yedzinza rese
rekwaMadziva vachitorwa mafoto nemuroora wavo Rudo. Akamedza mate anovava achiona
baba Madziva nemudzimai wavo vakamira nevachati.
Akakotama achifinyama nekurwadziwa, akagara pachair paaive apa, mabayo eshanje
omutenderera nekumusana achiona madzimai ese ekwaMadziva ari pamafoto ainge akatorwa
usiku muchato usati waitwa, vakasungirana mazambiya vachimona mabhodho. Vese vairatidza
kuti vaive vakafara chaizvo, these random fotos airatidza extended family yese yaMadziva
vachiita zvakasiyana siyana pamuchato waVictor. Vakomana vakabata huni nemisoro
namakumbo embudzi kunge emombe kunge ehwayi, madhishi akazara nenyama achimhanyiwa
nawo pese pese.
Akaita hasha achiona amainini, ehe ivo vaye Stepmother vaVictor vaiti vakamuona vanofuratira,
asi apa vange vakamira vakanyemwerera chaizvo vakatarisa Rudo achigadzirwa kumeso
kwake navatete nasisi vake mangwananai ezuva remuchato. Foto yaRudo akasimudzwa
naVictor yakamuitisa utsi hweParaffin stove yapinda mvura iri mu1 room mumaziso ake. Haana
kuzopedzisa akabva avhara.
Yeukai akaramba akangotarisa achishamisika nekunyarara kwange kwaita muenzi uyu achiona
mifananidzo iyi. Dzimwe hama neshamwari dzaisipiwa album iyi naTadiwa vaiseka vachibvunza
bvunza nekurumbidza, asi amai ava vaive pavo vega. Asi Tadiwa haana kunyarara, aitaura
vanhu vese, kunyanya hama dzaRudo, vaive vana maiguru nanamukoma nanaambuya. Barbra
akazotadza kupedza kuona akavhara album iya ndokudzorera kuna Tadiwa, mwana akabva
ati;
“Makaregerei kuuya amai Rumbie? Asi daddy havana kuti muuye, we danced and danced, we
laughed and laughed, we ate and ate, everyone, throughout the day and night, amai Rumbie.
There was a lot of food, ambuya vakati tichanzwa mudumbu.” Tadiwa akafa nekuseka ndokuti;
“Ndaida kudya cake rese asi daddy namamma vakati tichadya on Junior’s birthday next year.
Do you know Victor Junior amai Rumbie?” Tadiwa akanongedza mwana ange akabatwa
naYeukai, “It’s my baby brother, he is cute, veeeeery cute.” Mwana akaseka zvekuisa makumbo
mudenga kunge achadonha.
Yeukai akabva ati; “Chiendesa album mumba nhai Tadiwa. Ah vana mamma vabva vatosvika.”
Vese vakatarisa kugedhe ndokuona Victor achivhura gedhe, mota yaive double cab Isuzu
ndokupinda Rudo achityaira. Ndopakabuda Rumbie mumba achimhanya otambira vabereki
vake. Vese vakazobva kumota vadzikama vakatarisa muenzi wavo.
Rudo akasvika ndokungokwazisa Barbra ndokutora mwana wake kubva kuna Yeukai opinda
mumba ndokuyamwisa mwana. Barbra akapotsa atadza kuziva Victor, he looked smarter and
fatter that waaiziva, uye ange akapfeka mbatya dzaaigara achimuseka kuti haufe wakadzipfeka
uchadzionera mumagazine.
Vakapinda vese mumba ndokugara pamasofa ainge ekumba kwaHazel aaiti akatenga kunze
kwenyika, kupiwee hameno. Barbra akaona kuti kurongedzwa nazvese zvaivemo zvange
zvasiyana nezvaive naambuya Tumbare zvaaiziva. Maive nezvese zvitsva, madziro ese ange
akangozara mifananidzo yemuchato neyemwana mucheche uyu Victor Junior.
Victor akati; “What a surprise, muri vapenyu?”
Barbra akapotsa aridza tsamwa, sei Victor aifunga kuti akafa, nekuti zvadii? Akabva ati; “Ndati
ndipfuure ndichizoona vana.”
“Oh ava, vana ava, mavaona.” Victor akadaro achisimuka achibvisa waist-coat yake, akabva ati
kuna Rudo, “mai Junior ndipe mafone ndiise pacharger, we have to call those people asap, you
know high profile people havasi vekunonokera.”
“Ok daddy, handina kumbofunga kuti Brigadier vaye vangatipa that contract to decorate and set
up panouya President.” Rudo akadaro achivhura handbag yake ndokubudisa mafone otambidza
Victor.
Victor akatambira macellphone avo, akaswedera ndokubata mwana wake padama, ndokubata
bata ‘container’ yemukaka wainwiwa nemwana ndokuti; “We have always been a great team
sweetheart, trust me, even Obama kana Pope chaivo vakauya muno muMasvingo, we will be
hired to do the décor,” Victor naRudo vakasekererana vakatarisana, Victor ndokufamba
achienda kupassage yaienda kumabedroom avo. Victor akambomira achifunga, ndokucheuka
achiti kuna Rudo; “Eh mai Madziva, deal with that visitor ndidzoke in my lounge aenda, ndoda
kuzoita homework naRumbie.”
Rudo akangogutsurira, vakadzi vakatarisana vakanyarara kwenguva. Tadiwa ange akagara
pasi achiona macartoon paTv, Rumbie ange akazembera pana amai vaiyamwisa mucheche.
Rudo akakosora kosora ndokuti; “Rumbie, wavaona here amai Rumbie, ita makadii mamma.”
Rumbie akaramba akanyarara. Rudo akazoita zvekukarira mwana achimudaidza zita rake.
Nemisodzi mumaziso Rumbie akarara pamakumbo aRudo achiti; “Ndimi mamma vangu …..
mega imimi mamma.” Rudo akabata mwana mucheche zvakanaka kuti vakwane vese
pamakumbo ake nasisi Rumbie. Barbra akasimuka ndokuti; “wakaita hako Rudo nekuchengeta
vana vangu, actually, I won’t disturb magariro enyu, ndinoona handichina nzvimbo muupenyu
hwavo vese. Ndave kuenda.” Barbra akasimuka ndokubuda.
Paange opfuura nepana Gwenzi akaona vavepo, akandopaka mota yeBedzanyota Drinks
ndokugogodza pamusuo. Mai Gwenzi vakashamisika nekufara chaizvo kuona aimbove roja
ravo. Vakadzi vakambundikirana ndokubatana maoko vachipinda mumba ndokugara pasi.
“Ko kusazondiudzawo kuti Rudo akatora murume wangu nhai vasikana?” Barbra akadaro.
Mai Gwenzi vakati; “Ko taifunga kuti uchadzoka here? Dai waida kudzoka ungadai
wakarambaka kuti gupuro ritambirwe kumba kwenyu. Inga baba vaRumbie vakaendesa gupuro
kwenyu, waiti zvinorevei?” Barbra akatadza kupindura izvi akangodzungudza achifunga
zvaange aona kwaange abva.
“Saka ndovakavaka here pambuya Tumbare?” Barbra akada kuziva.
“Ehe ufunge, ipo pawakaenda paye, hapana kupera vhiki Victor naRudo vave kutoshanda
business vese. Takaona Victor nevana votogarako kusvika tanzwa kuti makaenda zvachose
isu. Kana zvegupuro vakatiudza kuti tizive kuti Victor aisave murume wemunhu. Kana
pamuchato wavo Majange yese takaenda kuHall kuCivic center uko, kwakanakidza chekuti
pano. Vaive nemaInvitation nevasina kwaingove kupinda nekudya kani zuva rese.” Mai Gwenzi
vakarondedzera vakafara chaizvo.
“Events Management Company yavo iyi Victorious Rudo ndoyakabata Masvingo yese havagare
pasi, every weekend michato yese, graduations, birthdays, zvese zvese, vatove nevanhu
vemavideos, fotos, catering havachangoita décor chete. And vanonzi vari kuda kutotenga a fleet
of cars for hire, hameno aya ave makuhwawo. Iyo Company yavo ndoyakaita zvese pamuchato
wavo, ndovakaita first clients yazvese izvo.”
Mai Gwenzi vakambofemereka ndokuenderera; “Company yakura kani iwe, ndosaka
vakakwanisa kuvaka pambuya Tumbare apa. Saka pamuchato wavo ambuya Tumbare
vakabva vangovapa imba yacho, vakati ndachembera ndogara ndakachengetwa nevana
ndichirera vazukuru, they are a lovely family iwe kani. Saka ndopavakazopedzisa zvese
nedurawall nazvese zvakanakisa izvo, ndovatove masharks edu muno muKaranga City.”
Barbra akangonyarara akaterera, asi amai Gwenzi vaive nezvakawanda zvekutaura, “Mbiri yavo
ava Victorious Rudo ndeyekuti havasiyane kani, vanogara vari vese, vanoshanda vese, vatove
neOffice mutown, paOld Mutual Building paye. And vana vako avo, even musikana wavo
webasa haazive kuti Rudo haasi amai vacho. Zvimwe tendawo shamwari, une lucky
rekuchengeterwa vana wena.” Mai Gwenzi vakaseka vega. Vakange vapedza nhoroondo
dzeupenyu hwana Victor, vakabva vazobvunzawo nezvaBarbra.
“Saka tiudzeika amainini, kuri sei kuHarare? You look stylish and beautiful.”
Barbra managed a smile ndokuti; “Kuri nane chaizvo, ndauya nebasa, ndiri kugara kuRiverside
Lodge uko.” Barbra akaenderera achiudza amai Gwenzi nezveBedzanyota Drinks. Akabva
avaoneka oenda kundorara, kana kudya paLodge apa akaramba, akandorara akadaro.
Barbra akarara achifunga muchato wake, zvaaizoda kuita musi wemuchato wake, aida kuti
zvake zvese zvive zvihombe pane zvaange aona kumba kwana Madziva. Uye aizoda kuti vana
Victor vaone mapicture emuchato wake, ko handiti avo akange amaona here. Akatamba nefone
yake, googling wedding dresses and cakes, zvakamuvaraidza nekumudzikisa BP yange
yakwira.
Pazuva rakatevera, mambakwedza, Barbra akamuka achivhunduka chaizvo akazara dikita
muviri wese, ange arota ari pamuchato wake, akapfeka rimwe remagown aakange aona
pawebsite yaaitsvaga madresses aya. Gown iri raakange akapfeka kuhope range rakabvaruka
seakange arwa nemunhu akaripfeka. Uye vanhu vese vaivepo pamuchato uyu vaigwesha
muvhu, hapana aifamba nemota kana kufamba akamira nemakumbo ake, vese vaifamba
nemagadziko kunge vaitadza kumira.
Zvakamushungurudza nekumutyisa, akafonera mbuya Mangena. Ambuya vakaseka vachiti;
“Usabatikana nazvo muzukuru wangu, mhepo dzemadzinza hadzipere, asi unokunda. Kana
wadzoka, tombozogeza munyama, ndokupa wekuti vanhu vese vakufarire, zvekuti kana
vekuchurch kwemurume wako vese vakanganwe mudzimai akaenda vakupe nzvimbo yako
saamai Katsande. Nekuti pane vamwe vanhu vasingaregerere second wives, saka toda
kugadzirisa ipapo. Asi muchato wako unoitwa zvawo.” Godobori vakatsanangura.
Mashoko aya akambodzikamisa Barbra chaizvo, nekuti akange avhunduka paakamuka
achishaya kuti zvaimborevei muupenyu hwake. Zvisinei nekuti ambuya Mangena vaiona zvese
zvekumberi, vakange vati zvakanaka zvakadaro, saka zvange zvakanaka, zvaaida
zvaizobudirira.
Mushure mekusainirana mapepa nekugadzirisa nyaya dzekuMunicipality, Barbra nemumwe
wake vakabva vadzokera kuHarare. Akasvika Lewis akamumirira nemufaro mukuru,
vakatandara vachifara vachipanana rudo rwamandorokwati, zvekuti zvese zvakange zvaitika
kuMasvingo kusanganisira hope dzaakange arota, zvakatanga kudzima mupfungwa dzake.

TOO BUSY TO DIE


Chapter 11
Kumba kwaBishop Gambiza, amai nababa vakange vasina kuwirirana mukutaura nemukuita
nenyaya yaLewis naIsabella Katsande. Amai vaiti sevakuru vesangano vaifanira kunge
vakagadzirisa vaviri ava kuti imba yavo irambe yakamira. Mai Gambiza vange vasina
kugutsikana kuti chokwadi musha wemwana wesangano wotoparara vakatarisa. Vainzwa
kurwadziwa chaizvo pese pavaitaura naIsabella.
Mwedzi mitanhatu yekutanga yakange yakavaomera saamai Bishop, vaiziva kuti
pavanofonerwa namai Isabella Katsande, paidembewa nekuchemewa misodzi nguva dzese
achivakumbira kuti ivo naBishop vataure naLewis vagadzirisane. Asi baba Gambiza havana
kuda kutevera chichemo ichi, vakati kana Lewis atoita zvaafunga ndizvozvo.
Mai Gambiza vakatomboita nguva yavaienda vega, Bishop, murume wavo asingazive,
kundoona Lewis vachiedza kutaura naye asi akapedzisira ave kuvatiza. Nekufamba kwenguva,
gore rotopera, Isabella akasiyawo zvekuvafonera, kana kuchurch yavo akasiya akaita
zvekwaaigara ikoko kuChitungwiza kuvabereki vake. Akange ave neupenyu hutsva husinei
neEuthenia Ministries, zvisinei nemhuri yekwaKatsande.
Mai Gambiza vaiziva zvavo kuti murume wavo aisabatikana zvachose nevanhu vaibuda
muchurch, asi apa vakaedza kumuonesa kuti vakange vatadzira mwana aivimba navo, kuti
vagadzirise zvaimunetsa muupenyu.
Asi baba Gambiza vakapengera mudzimai wavo chaizvo, ndomusi wavakamuti vaiziva kuti
aipota achienda kundoona Lewis, ivo saBishop vasingazive asi vaizvinyarara. Aifanira
kurangarira kuti mukuru weSangano, nhume yaMwari, mouthpiece yaSamatenga-tenga,
aizevezerwa naMweya Anoera in the Mighty Euthenia Ministries was Isaac Porusingazivi
Gambiza Moyo, achiudzwa kuti zvinhu zvinofamba sei, zvoitwa sei. Ivo amai vaifanira kuti basa
ravo sezvaireva Bhaibheri … kuve mubatsiri.
Saka vaifanira kubatsira murandarume waMwari in whatever decision he was going to make in
this issue, amen. After all, was he not a degreed Social Worker from the Mighty UZ, he knew
social issues inside and out; and so, he had done a thorough investigation akaona kuti vaifanira
kusunungura Lewis Katsande, he was a grown up man and he knew what he wanted to do, and
how to live his own life. Isabella zvaabuda muchurch, aaah perfect, zvave nyore kutsigira
murume asara pavari, saka mukadzi ngaafambe zvake zvakanaka vaizoonana nekuda
kwaMwari.
Gore rave kutopera, Isabella akadzoka kuna amai Gambiza ane imwewo nyaya yavange
vasingazive. Yakavarovesa nehana, zvekuti vakamhanya kumuBishop kundomuudza. Baba
Gambiza vakatenda mweya yaivachengeta chaizvo kunzwa nyaya iyi uye vakakurudzira
chaizvo kuti ngaiitwe sekukumbira kwange kwaitwa naIsabella. Vakadaidza maElders avo
eEuthenia Ministries vese vakaungana mumba maBishop. Isabella aivepo uye akange akumbira
amai Bishop kuti vadaidze sister Hazel.
Mushure memunamato wakaitwa naBishop, vakapa Isabella mukana wekutaura. Akapa
nhoroondo yekusangana kwaakaita naHazel, kuwirirana kwavo, kuzivana kwakewo naWilliam
uye zvakaitika pakati pake naWilliam.
Akatsetsenura zvese zvaakaita naWilliam zvainyadzisa achikumbira ruregerero kuna Hazel.
Akapedzisa achiti; “Inyaya yakagara ichindinetsa asi ndaifunga kuti zvakaitika kare hazvichinei,
zvakapfuura. Asi pakazoparara muchato wangu ndakangofunga kuti kuda the curse is following
me. I really felt the pain and disappointment which my sister and friend Hazel also went through.
Please accept my apology, and you my elders, help me to leave this past, it was a terrible
youthful blunder which has gravely costed me. Now i have to let go, I am moving on.” Isabella
akadaro misodzi yave kuerera.
Bishop Gambiza vakaramba vakanyarara, iyi nyaya vakange vaipa kunana Elder Maruta kuti
vaitonge. Baba namai Maruta vakataura chaizvo pachikuru, vachibatsirwa nemashoko
emuBhaibheri. Pakupedzisira madzimai maviri aya vakazoonekwa vachimbundikirana
nekubatana maoko sekuyanana.
Isabella akatorawo mukana uyu kuvaudza officially kuti akange abuda muchurch, akange asisiri
mwana weEuthenia Ministries. Baba namai Maruta vakamboedza kumudzora asi akaramba.
Hazel hazvina kunyanya kumufadza nekuti aida kuti seal and signature yekurwadziwa
kwaIsabella ivepo achiona Lewis achiyemedza Barbra sezvaaiitwa iye damn it, ange
akurumidza kusiya sangano. Kusvotwa naBarbra ndokwaifanira kuzoita kuti asiye, asi zvakange
zvaramba.
Bishop Gambiza vakasara voti kumudzimai wavo; “Wazvionaka nharo dzako. Kana shoko richiti
touch not my anointed ones, ndizvo zvazvinoreva izvi, you were doubting my judgement, I know
that. Isabella uyu cursed herself achiri musikana nezvaakamboita like she explained. Now when
it happens to her why would you cry foul?”
Amai Gambiza vakadzungudza; “Inga zvakaoma nhai daddy, vanhu vane nyaya wena. Handina
kumbofunga kuti vakadzi ava vanozivana, Isabella nasister Hazel were once best friends?”
Bishop vakaseka ndokuti; “It’s good she is reasonable zvake Isabella wacho, because dai ari
mumwe she wouldn’t make peace with sister Hazel. Aitofunga kuti Hazel ndiye akamuroya kuti
arambwe nemurume.”
Vese baba namai vakaseka chaizvo. Amai ndokuzoti; “ But daddy seriously, ehe ndozvakaitika
hazvo in their youth, kare ikoko. But I don’t see how it is related to her divorce. Kana tikabvuma
kudaro, then pave kutoshanda Old Testament, mutemo waMoses a tooth for a tooth, an eye for
an eye. We now have Jesus Christ, hazvifaniri kuzonyanya kudaro. Mutongo wacho wazoita
sekukurisa, God is love, havadaro to the faithful ones like Isabella.”
Isaac Gambiza akabva ati; “Spiritual things are difficult to understand shamwari, hazvidi
reasoning too much. Ndosaka tichitaura nezvaJonah going to minister via mudumbu mehove
asi now Pastors have jets. Things change mai mwana.”
Mai Gambiza vakaramba vachiratidza kuti vane zvaivanetsa, vakabva vazoti; “Daddy we failed
vana Katsande, I believe kana Mwari vaida kuti Isabella naHazel vagadzirisane zvaigona kuitwa
neimwe nzira, kwete through their divorce. This separation was very painful to both of them,
vaKatsande was also in a bad state, but imimi varume you easily find comfort in the hands of
the first woman you meet. Ndaifunga kuti it’s a simple marital misunderstanding kusvika; ah
mwana atofa, ah mai Katsande vatove kuvabereki vavo zvachose, ummm Bishop tinenge
takatadza apa. Kana vana Elder takanonoka kuvaudza wena, maybe sevanhu vakuru vaigona
vakaita something earlier to save the marriage.” Mai Gambiza vakademba.
Bishop Gambiza vakati; “This issue has been over-discussed in this house, inga nhasi tange
tichitopa conclusion yacho. Handichada kuinzwa ever again nyaya iyoyi.”
Mai Gambiza vakarangarira zvavakamboudzwa vakanyarara zvavo. Vakabva vachinja nyaya
vachiti; “Ivo sister Hazzie ngavachiroorwa, murume uya Manager wekuMeikles Hotel ange
avada wena daddy you remember. Haana kumbozeza kuzotiudza, iniwo ndikatomhanyaka
kuudza sister ndikati vakurumidze biological clock is ticking, tinoda kuita Baby welcome party
yasister Hazzie isu.” Mai Gambiza vakaseka chaizvo vachirova murume wavo ruoko.
Bishop vakambotsenga mukanwa ndokuzoti pave paya; “Twumarombe twunoda kudya mari
yaHazel …..”
Mai Gambiza vakaramba vachiseka ndokuti; “Ko imi zvinei nemi zvekuti adya mari yasister
ndiani nhai Bishop? Ko marriage nemari zvinobatana papi? Murume uya is a gentleman, very
nice and well cultured, he has manners and he is a good man. Angasave zvake nemari seya
sister Hazel asi he can provide a comfortable life for her pasina kushandisa mari yemukadzi. Imi
siyai zvakadaro. Iye akangozonyarara akaendepiko?”
“Iwe Doris, be serious, gentleman, nice, well mannered kudii, wakaziva zvese izvozvo sei?
Haunyare kutaura zvakadaro about another man pamberi pangu? Wave kuzofarisa.” Isaac
akadaro achinyemwerera mudzimai wake, nyaya dzaida kutaurwa naamai musi uyu dzainetsa
baba kudavira.
Mamma Doris vakaseka vachitsvoda murume wavo; “And so the Mighty man of God is
jealousy!! Ndiri mamma inini nhai Isaac, ndofanira kuona kuti vana vedu vesangano vari kugona
kuzvibata mushe here.”
VaGambiza vakazosekawo vave kunakidzwa nekuvimbika uye kuvharika kwemukadzi wavo,
aive pavaida chaipo. Aiziva, nekufunga, nekuita zvavaida kuti ave semudzimai wavo. Zvimwe
zvese zvaifanira kugara kure nepfungwa dzake nemaziso ake.
Mai Gambiza vakabva vazoti; “Ndichaita sezvamakataura daddy, zvakakumbirwa naLewis kuti
titambire girlfriend yake kumadzimai. That girl is lucky, she was at the right place at the right
time like the Biblical Rebecca muroora waAbraham akaroorwa naIsaac, akaziva nguva
yekuenda patsime zvedi, as in Genesis 24:1-67, Powerful.”
Baba Gambiza vakangoti; “Now you are talking, that’s my wife.”
“But daddy ndoda kuenda KuBible School and I want to participate mune zveBible zvakawanda,
even to other churches ndizive kuti vamwe vanozviita sei. Kungoziva more about the Bible and
knowing Jehovah God personally will be a joy to me. I know my place in this Ministry, ndiri
mubatsiri wenyu but knowledge is power. Mungandirambidze kutsvaga ruzivo here daddy?” Mai
Gambiza vakadaro vachibata murume wavo ruoko.
“Why would I? I want to see you go places with the Ministry amai Bishop. Itai zvese zvamunoda
as long as muchiziva kwamunobva and keep me updated.” Vakazopedzisira kutaudzana vese
vasimuka, mukadzi ave kuenda kukitchen baba vobata bata Computer yavo vachiona mari
dzakapinda kubva kwakasiyana siyana kwaivapa mari.
Musi weSvondo wakatevera, mushure meService, mai Bishop vakadaidzira kuti madzimai ese
asare, kusanganisira neSenior Youth, ladies only. Vese vakasara muchurch amai ndokuti;
“Ndati titaure nyaya yamuri kuita makuhwa muno muchurch. Ndikupei all answers musati
manyanya kuenderera. Vamwe venyu muri kutaura kwamusina kuswera, vamwe miromo yave
kurebesa kusvika pakutotuka the man of God, muchazvidaidzira curses upon your life
nekushora inzwi raMwari riri pakati pedu. Amen”
“Amen….” Madzimai ese akadavira zvakaderera, vamwe vaisaziva kuti inyaya yei, vamwewo
vakange vatukirira mumakuhwa vange votsikitsira misoro pasi kuzeza kudomwa nemazita.
Amai Bishop vakaenderera; “Baba namai Katsande vakaparadzana, havasisiri vese. Inyaya
yakatongwa by the very senior church admin, vese vakaona zvakakodzera kuti zvidaro. Baba
Katsande tinavo muchurch nanhasi, takamira navo uyezve for your information,
ndovakakanganisirwa. Amai Isabella Katsande vakataura nesu, hapana akavadzinga muchurch,
vakasiya vega uye vakataura vakaoneka zvakanaka. Saka musataura zvamusingazive. Muchiti
dai dai dai. Madai enyu ese akatariswa akaongororwa akapindurwa nevakuru veKereke.”
Amai vakambonyarara vanhu vese ndokungoramba vakanyarara, vazhinji vakatsikitsira,
vakaterera zvaibva kuna amai vakuru vesangano. Vakaenderera; “Baba Katsande
vakasununguka kuroora mumwe mudzimai wavanoda nenguva yavanoda. Vakauya kumba
kwedu vakatiratidza musikana wavanoda muno muchurch. Sister Barbra varipo?” Barbra
akabva asimuka, meso ese ndokuti jii kumashure kwaange akamira.
Mai Bishop vakati; “Ndo girlfriend yababa Katsande, vatove paAdvanced stage with their
traditional marriage preparations. Ngativatambirei kuRuwadzano rwemadzimai, togadzirira
kitchen party yavo and very soon baby welcome or baby shower rather, nekuti musikana mudiki
anoda kutsigirwa nekudzidziswa about nhumbu nekuchengeta baby. Amen.”
Madzimai akapindura zvakare; “Amen ….”
“Pane ane mubvunzo here?” Pakashaya akabvunza mibvunzo, amai Bishop ndokuenderera.
“Tanzwisisanaka ipapo, yaperaka iyo, and now to the second issue madzimai, regerai
zvekutaura taura nekutsoropodza zvimwe zvinhu zvinoitika muchurch zvamusinganzwisise.
Kana paine zvamusiri kunzwisisa, you are free to come to me ndokutsanangurirai, munoziva
kuti I am softer than your Bishop, and handitombovaudza some of the things zvandinonzwa, he
won’t tolerate this rubbish. Musazviise panzvimbo yekudaidzwa naBishop for a disciplinary
hearing nekuti if the man of God curses you, haa ayayayayaya zvinokuomera unodemba kufa
asi death won’t come to you.” Madzimai akaseka amai vavo vakange vatevedzera kutaura
kwababa.
“And inini saamai venyu, I don’t like it kana muchitaura about my husband as if mukomana
wenyu wemombe. He is an anointed man of God, and my husband! Don’t disrespect my
husband handizvide izvozvo, munozoti mamma vakaipa. Where do you get the audacity to talk
about my own husband muri kumba kwenyu? Honestly what kind of nonsense is that? Mukadzi
ane murume wake, mumba make, asi zita rekuti Isaac Gambiza haribve pamiromo yenyu? My
own husband?!” amai vakambonyarara vachimedza mate.
Vakaenderera; “Vamwe venyu munotoziva nemasmall house emurume wangu andisina
kukubvunzai, makamuonepi? Why do you create lies against the man of God? Murume wangu
is straight forward, haaite like any ordinary man in the street there, musamufananidza nevarume
venyu who are just common citizens nhaika? Even sister Hazel ava, vanofamba naBishop
sometimes, and she reports back to me every minute we don’t have any problems, hapana
chavakamboona chakaipa chinoitwa nemurume wangu, Bishop has eyes for me only. Some of
you munenge mapedza nhamo dzekuhurirwa, ku abuswa nekunyimwa mari nevarume venyu
nguvai zvomotaura wangu?”
Mai Gambiza vakambonyarara kunge vaida mhinduro asi no one dared to answer such a
terrible, unanswerable question, amai vakatowedzera; “Kwangu kumba hakuna zvakadaro,
nhamo dzemarriage ndinodzinzwira muCounseling room inini, kuti heya kune zvakadaro in
marriage? Otherwise leave my husband alone, he is my husband, I married a man who fears
the Lord. Let us lead you to eternal life in peace and love. Musativhiringa nemashoko enyu
please.”
Mai Bishop vakabva vagara pasi pakati paAuntie Bee, muzvina Salon naHazel avo
vakavanyemwerera vachivabhabhadzira musana vachivatenda nemashoko makukutu avange
vataura kuRuwadzanao rwana amai. Pakamboita nguva vanhu vese vakanyarara pasina kana
aikosora. Vamwewo vaiziva kuti vane makuhwa avakange vambotaura zvakarerekera kune
zvakange zvatsiurwa namai vakuru vesangano vakange votya kana kufema chaiko.
Elder Mrs Maruta ndovakazosimuka vachiti; “Ngatitendei amai vedu nekutitsiura kwavaita.”
Madzimai ese akaombera maoko.
Ambuya vesangano vakaenderera; “Kutitsiura kutida, saka tinotenda zvakadaro. Asi amai
musanyanye hasha kana vana vatadza. Pamusha pasingatambe pwere hapanakidze, uye
kutamba kwepwere misikanzwa yega yega asi imimi munenge muchingodzoredzera
zvakadzikama, upenyu hwuchienderera mberi. Musazonyanya kutipopotera tinozokutyai.”
Madzimai ese vakaseka kusanganisira naamai Bishop vacho.
Ambuya Maruta vakapedzisa vachiti; “Zvakanakai, musangano wapera, torangarira mashoko
ese, uye minamato yese yatinofanira kubata pakati peSvondo. Tisangane neChitatu kuWestend
Clinic kundoona amai Magaisa, vachiri muchipatara namanje. Mai Chimuzinga, tipeiwo closing
prayer.”
Vese vakatsinzinya vonamata ndokuparadzana voenda kudzimba dzavo. Barbra akananga
kwaambuya Mangena kundovaendesa kuLunch, vakange vabata basa 101% to her over
satisfaction.

TOO BUSY TO DIE


Chapter 12
Stories by: Rutendo L. Nzira
Pavhiki yakatevera, Barbra akange achifara, nyaya naLewis dzaive dzekungotaura
nezvekundoroora uye kugarisana kwavo nezvavaizoda kuita zvese kana vatanga mhuri yavo.
Barbra akamboendawo kumusha kwake ega kundotaura nanababamunini vake achivatsindidza
kuti vasataura nezvevana vake vaakasiya kwaMadziva. Akavati akange ataura nemurume
aimuroora vakawirirana zvavaida pamusoro pevana ivavo, saka musi wekuroorwa kwake
vaifanira kusiyana nenyaya dzekwaMadziva.
Vana baba vakasara vakavhiringika misoro kuti vanzwisise kuti mukwasha aiziva here kana
aiwa kuti paive nevamwe vana, zvisinei vakarangana kuita sekuda kwehama yavo. After all
vaida kuti aroorwe aende andogara kumba kwake, abve mumusha mavo, kana vaizomutadzisa
kuroorwa aizogara mudzimba dzavo, and vaimuziva kuti mukanwa make maishaisa rugare,
vamwene vake vekwaMadziva vakange vambochemedzwa misodzi chaiyo naye.
Asi kuna vatete vake, Barbra akataura chokwadi, kuti mhuri yese yekwaKatsande vaifunga kuti
musikana asina kumbopinda mumba. Mwana wehanzvadzi akaseka zvake akati vatete siyai
zvakadaro aizoziva nguva nenzvimbo yekuti vana vake vazozivana nababamunini daddy Lewis.
Vatete vakngodzungudza ndokumurangaridza kuti ndoinonzi time bomb yaazvigadzirira iyi.
Vemhuri yekwaKatsande vakaenda Banket kundoroora mudzimai wavo. Vakafara chose zvese
zvikaitwa zvikapfuura. Asi chakasvota Barbra pakataurwa nyaya yemuchato, Lewis akati
ngazvimbomira yaive nyaya yaaida kuti izotaurwa imwe nguva. Iye mumusoro make akange
atopedza kurongedza muchato wake wese asi kushaya hanya nemuchato kwakaita Lewis
kwakamurovesa nehana.
Vana tete nanaambuya vakabva vangoperekedza mwanasikana wavo kwavamwene achibva
azoenda zvake Harare kumurume vese vachidzokerawo kubasa, uye kutanga kundogara vese.
Barbra ndopaakazofunga kuti aive neshamwari yainzi Constance yakange yamutambira
muHarare. Akamufonera vakasangana musi weMugovera masikati Constance apedza basa.
Vasikana vakaseka vese vachienda kundogara paChicken Inn, vakarangaridzana musi
wavakambogarapo vasina zvavo kana 10c asi vakabvapo vave nefull meal.
“Ko wakangozoenda nekutondoroorwa kwese, ndave kunzwa nyaya dzako mumakuhwa
muSalon asikana, wakandishorei?” Constance akazobvunza aona shamwari yake
yangonyarara.
Barbra akaseka ndokuti; “Ndozvandatovinga nhasi, kuzokuudza kuti ndave amai Katsande.”
“Oh inga hako, asi murume wako uyu ange asina mukadzi here? Mukadzi wake akafa rini?”
Constance akada kuziva.
“Zvakatopfuura izvo, ndosaka ndakambosiyana newe, unobvunzisisa, pane kuti uti makorokoto
wave kutaura zvemukadzi akarambwa, ah vasikana.” Barbra akafinyama.
Constance akabva ati; “Ndange ndichida kunzwisisa chete, nekuti the last time yatakataura waiti
uri kuenda kuMasvingo, that was 4 months ago. Then wodzoka woti wave amai Katsande.
Vamwe zvenyuka ndezvekubwaira kweziso.”
Vese vakamboseka Barbra ndokuti; “handidi kutaura nezvekuMasvingo wena.”
“Vaive sei vana Rumbie wakandovatengera here sezvawaironga?” Constance akabvunza
seakange asina kunzwa kuti mumwe wake akange ati haade zvekutaura nezveMasvingo.
“Vari bho zvakanyanyisa, I think Rumbie akanzi sarudza amai vaunoda haatombonditarisi.”
Constance haana kunzwisisa statement, paange oda kubvunza Barbra akabva ati; “Ndiri
kuitirwa kitchen party kumba kwangu KuMabelreign uuyeka next Saturday.”
“Ndinouya wena, handiti auntie Bee vanenge varipowo? Tizodya zvedu tichinzwiririra madzimai
eEuthenia achivhaira.” Consance akadaro achisvora.
“Ndiri kufunga kuti ndodaidza vamwene vangu here kana kuti ndoregera.” Barbra akadaro asina
mufaro.
Constance akamboita nguva akanyarara akatarisa shamwari yake achitsenga huku yavange
vatenga ndokuzoti; “Ndazviona kuti une nyaya, taura tinzwe, vange vatoitei vamwene vako ne 2
days idzodzi?”
Barbra akadzungudza ndokuti; “Haiwa, dai zvaiita ndambovapa cellnumber yamai Madziva,
amainini vaVictor vaudzwa kuti vasandijairire zvavakandiita. Vakangondivenga so, hate at first
sight.”
“Ah iwe vakakuitei?” Constance akaona kuti mumwe wake aisafara zvachose.
Barbra akadzungudza zvakare ndokuridza tsamwa; “Nhai vangandiudza kuti ‘mwana wangu
ane mukadzi ini, chihure chamuri kuita chichapera’ imagine. Vari in denial yekuti Isabella
akahura akarambwa, she is so full of nonsense.”
Constance akaseka zvake ndokuti; “Umm pakaipa, asi inzwa shamwari, vamwene vane nyobvo
yakadaro havadi kupindurwa, ukaita fire for fire you force murume to choose, and you know kuti
he will always choose his mother. Saka nyarara zvako, nekufamba kwenguva vachakufarira. Ko
iwe unei nekuenda kwemuroora wavo wekutanga. Be nice to her.”
Barbra akaseka chikwee chake ega ndokuti; “unoti ndivanyararire kuti vakorobha Kariba here?
Rega ndizvare muzukuru wavo wekutanga ndigovapinza katikasi, vagoona kuti kuRoma
kwavanoenda Fata akaita a shit job. Ibenzi rembuya mai ivavo.”
Barbra akadaro, Constance akamboramba akanyarara, Barbra ndokuenderera, “Kana muchato
ndofunga ndovakatoita kuti mwana wavo arambe wena. Mazuva ese taironga white wedding,
then all of a sudden Lewis akundichinjira haachadakunzwa nezvemuchato hanzi
ndakambochata. Nxaaa.” Barbra akaridza tsamwa yakaita kuti Constance amutarise kumeso.
“But iwewe hauzive here kuti hazviite kuti muchate Victor ariko, and mudzimai waLewis
arikowo.” Constance akatsanangurira shamwari yake.
“Haiwa zvine basa rechii? Victor akachata wani. Anyway handichina basa nemuchato wacho.
Asi amai vaLewis vakandipinza chando. Ndaifunga kuti amainini vaVictor havaite asi amai
vaLewis ah ngozi chaiyo, but ndichavasota.”
Cellphone yaBarbra yakabva yarira, akadavira ndokubva asimuka achiti; “Handei sha,
ndokusiya pamacombi ndichienda kundotora Lewis kuOffice kwaari uko.”
Vakabva vasimuka vese voenda. Barbra akasvika ndokutorana naLewis voenda kumba kwavo
kuMabelreign. Nyaya yemuchato wavo yakange yapfuura. Yakange yapa mukadzi hasha
dzakanyanya asi murume akatsika madziro zvikabva zvapera zvakadaro. Iye Barbra akange
achizezawo chiroto chake kuti kana aizoramba achimanikidzira kuda muchato wacho
waizobuda sezvaakange arota, gown rine tsvina nekubvaruka kwekurwa, paaifunga hope idzi
hana yairova.
Akabva asiya basa kuBedzanyota Drinks kwaaishanda, Lewis zvakamushamisa kuti sei
mudzimai angosiya basa vasina kumbotaurirana, iye mudzimai wacho achigunun’unawo kuti sei
murume asingamuti achiregera kuenda kubasa. Ange ave kuita sezvaaida, window shopping
everyday mudhorobha, nekutenga tenga twusingaperi twekupfeka netwekudya zuva nezuva,
achipfuura nemuSalon ombonzwa makuhwa, ozondokanga twunonaka akamirira kuti murume
achiuya kumba.
Kitchen party yake yakanakidza chaizvo, madzimai ese ekuEuthenia Ministries vaivepo
vachimudzidzisa magariro emumba. Vese vaitamba vachidya nekunwa vachifara. Ambuya
Maruta vakapa chidzidzo chakareba chose pamusoro pekugarisana kwavamwene nemuroora.
Barbra akange akaterera akadzikama zvake achinyatsofunga kuti kana zvirizvo zvinotarisira kuti
vamwene vaitirwe iye aizoita opposite kuti amai vaLewis vadzidze kuita good in-law, vagosiyana
naye.
Vakange vamusvota kusvika pekupedzisira nekuti havana kuvanza kuti vakange vakagumbuka
nekuramba mukadzi kwakaita mwana wavo, uye vakange vasati vatambira Barbra mumusha
mavo.
Musi weChishanu wevhiki iyi, Bishop Gambiza vakapfuura nekuBedzanyota Drinks
vachindoona vese vaishanda apa uye kuparidzira vamwe kuti vauyewo kuchurch. Sezvo apa
paibikwa zvekunwa, Bishop vakatenga biscuits and pies vakasvika vachipa munhu wese,
ndokubhadhara drinks vashandi vese ndokumbosiya basa vogara pasi vachidya nekunwa
nemunhu waMwari. Vaiparidza chaizvo vachiita nyambo zvekuti munhu wese akasununguka
kutaura navo nekubvunza zvaaida kwavari.
Panguva iyi vamwe vashandi vatatu vaisaenda kuchurch vakabva vapa upenyu hwavo
kunaJesu, Baba Gambiza vachive mupupuri akavaisa maoko pamisoro yavo. Vese vakavimbisa
kuti vaizouya kuchurch musi weSvondo uye kuminamato pakati pevhiki. Pakazoenda
mubhishopi muhofisi yemukuru webasa kundokomborera business iri, amen, vashandi vese
vange vafara vachingotaura kuti havana kumboona munhu ane rudo sababa Isaac Gambiza.
VaGambiza vakasvika ndokugara muoffice, muzvinahofisi achitevera kumashure kwavo
achikiya musuo wake. Isaac akatarisa shamwari yake iyi neziso reruchiva zvekuti kana
mudzimai uyu akaseka kahana kachirova nezvaaiitisa munhu aikudzwa nekuremekedzwa
nevazhinji kudai.
Pasina nguva mbatya dzevaviri ava dzange dzave murwi pasi ivo vakasengana pacheya. Chair
iyi payakaita seyotyoka vakabvapo ndokuenda patafura chaipo paive nemapepa ebasa.
Pakadonha tray yemareceipts akati mwarara nehofisi yese, vakabva vasiya zvepatable
ndokuenda pasi chaipo pacarpet yaive muhofisi umu. Iyi carpet sezvo yaive in full force of
gravity, haina kuvatadza setable nechair zvakavasarenda zvikavadzinga.
Pave paya vakazobva vonyemwererana mumwe nemumwe otsvaga chake chekusimira
saAdam naEva mumunda weEden mushure mekuwachiswa nadhiyabhorosi.
“You are very naughty Isaac.” Hazel akadaro achigadzirisa mabutton eblouse rake akamira
mberi kwechikomba.
“You drive me wild babes, eish, uchaita mwana wangu gore rino.” Vese vakaseka vakatarisana
without shame in their eyes.
“You know what I enjoy pauri Isaac?” Hazel akadaro achibata ruoko rwemumwe wake,
akaenderera; “When you are preaching and everyone is saying amen with so much respect
vachitya kana kuswedera padyo newe, and I will be imagining moments like this!” Hazel
akaseka achitsvoda Isaac, vese vakafa zvavo nekuseka.
Isaac ndokuti; “Is your friend Barbra under control now? Pane zvaachada here mukadzi
waLewis?”
“I don’t think so, takamupa zvaaida saka takapedzerana.” Hazel akadaro akagara patafura yake
Isaac ari pachair ari pakati pemakumbo emukadzi.
“You handled her expertly sweets, I will forever honor you for that.” Isaac akadaro maoko ake
ari pese pese pamuviri waHazel. Akabva asimuka ndokutsvoda Hazel achiti; “Umm regera
ndichibuda muno, ndisati ndakupamha, you are horribly seductive, ndikakutarisa ndinoita waya.”
“Uumm flattery will get you anywhere my darling.” Hazel akadaro vave kuteverana vachibuda
vese muoffice umu voenda kuParking area.
Hazel akasimudzira Bishop ruoko achityora muzura kunge stiletto yaakange akapfeka ichatadza
kumupa balance yakanaka achiti; “Matiitira zvakanaka baba Bishop, mundofarisa amai, we
were blessed to have you in our midst.” Vashandi vaiisa madrinks murhorhi vakati; “amen”
vambomira zvavaiita vakatarisa muzodziwa waMwari achienda, ange aguta zvese
zvepaBedzanyota.
Pavakasvika kumba kwavo, baba Gambiza vakangonanga mushower ndokugeza zvavo
vachiimba ‘Kudenga kure kure ’. Vakabva vandogara panze paive nemudzimai wavo
nemwanakomana wavo aive grade 2.
“Matenga newspaper here daddy?” mai Gambiza vakabvunza.
“Oh yes, riri mumota, you can go get it.” Baba vakadaro vachitambarara zvavo vari in shorts and
slippers. Mai Gambiza vakatuma mwana wavo mumba kundotora makey emota yababa
ndokusvika achipa amai vake. Amai vakandotora bepanhau ravaida uye necellphone yababa
yange yasara mumota. Vakafamba vachitarisa zvaive mufone umu.
Vakatambidza murume wavo fone yake vachiti; “Call back sister Hazel pane 2 missed calls
nemessage yavati ‘thanks for the visit’, ko maendako?”
Bishop vakashama n’ai vachiti; “Yes I had lunch nevashandi vepaBedzanyota.” Vakadaro vaisa
fone yavo panzeve yave kurira. Hazel akadavira achiti; “Hie love, wafamba zvakanaka here?
Am still feeling you wakandizara dia……”
Baba Gambiza vakati; “Ndafamba zvakanaka stereki my sister, mapurisa kani muroad umu,
pese pese. Be blessed, I enjoyed kuve nevashandi venyu. I am blessed to win souls
paCompany penyu. May you prosper.”
Hazel akaseka chaizvo ari kwaaive achiti; “Hooo, mufarise vamupurisa ivavo vari paside
penyu.”
“It’s fine sister, ndichakwazisa amai. Bye.”
Amai Gambiza vakange vachinzwa zvaitaurwa nemurume wavo asi vachivhura vhura
newspaper vakabva vazoti; “She is such an honourable woman, dai Mwari amupawo imba
yake.”
Baba Gambiza vasati vapindura amai vakabva vati; “Honai daddy, hanzi Pastors’ Wives
Serminar kuFaith Ministries Belvedere, By Reverend Mrs Irene Nyandoro, guest speakers from
Nigeria and South Africa, starting on Monday next week, its for two weeks, last day of
registration is today 4pm, yatove quarter to. I want to attend daddy, but I am late. Ndoita sei?”
Mai Gambiza vakadaro vasina kugadzikana. Baba Gambiza vakabva vati; “Iwe hapana phone
number here? Call them and tell them you want to attend, you will register Monday yacho.”
“But I am late already, it’s 10 minutes to 4.” Doris akademba akatarisa advertisement iya.
“Use your power nhai Mrs Bishop, tell them you are Isaac Gambiza’s wife and they will tremble
at your feet. Kana pazara vanotobvisa someone. Yes babe, take your fone and call.” Isaac
akadaro kumudzimai wake neinzwi raiti kwandiri hakuna chinotadza.
Doris akatora cellphone yake ndokubaya landline number yaivepo, ndokuisa paloud kuti
vaterere vese nemurume wake, yakarira kamwe chete ndokudairwa.
“Thank you for calling Faith Ministries, how can I help you” inzwi rakadaro.
“I am Mrs Gambiza, I am calling in connection with the Pastors’ Wives Seminar, ndiri kutoona
advert just now, am I late?” mai Gambiza vakadaro vachiri kuzeza.
“No no no, mamma Doris, there is always space for you.” baba naamai vakatarisana
ndokunyemwerera.
“Munokwanisa kuuya on Monday to fill in your registration form and pay your registration fees.
Even Pastors’ wives from outside Harare vanoita zvese izvozvo on Monday.”
“Oh ok, am new in this, where are you and munoita nezvei?” MaiGambiza vakada kuziva.
“It’s a church mamma Doris, I will sms you the address and directions. Reverend Nyandoro is
anointed in grooming spiritual leaders. It’s a conference centre for serminars, meetings
zvakadaro izvozvo. Workshops for leaders especially spiritual leaders, once in a while
vanomboitawo general management and leadership trainings. And pane accommodation which
we give for people outside Harare. I am sure you will enjoy yourself, and learn a lot about Jesus
Christ.” Muzvinainzwi akatsanangura akadekara zvake seaive asiri pabasa.
“So are you also a Pastor ipapo?” mai Gambiza vakabvunza.
Muzvinainzwi akaseka ndokuti; “No mamma, I am the Administrator pano, I plan all
conferences. I am also the PA to Mrs Nyandoro, ndave ne 4 months chete ndiri pano and I am
telling you, my eyes are opened, this is a place to be.”
“Oh ok, you are really marketing zvamunoita ipapo. See you then on Monday.” Doris akadaro
ave kuda kutsveta phone pasi, asi muzvinainzwi akabva ati; “aiwa mamma Doris why would I lie
to you, if your life doesn’t change after this seminar, I will give you back your registration fees
and pay fuel yese yamuchashandisa in the 2 weeks. Mufarise Tafadzwa nadaddy vake.”
Baba namai Gambiza vakatarisana vaona kuti munhu uyu aitovaziva chaizvo. Mai Gambiza
vakabva vati; “Only very close friends and family call my son Tafadzwa, vamwe vese
vanomuziva as Isaac Junior, ko ndimi aniko?”
“Oh sorry mamma, ndafunga kuti maziva voice rangu, ndiIsabella, ex-wife waLewis Katsande,
see you on Monday.”

TOO BUSY TO DIE


CHAPTER 13
Stories by: Rutendo Lovely Nzira
Musi wemuvhuro wakatevera, paFaith Ministries Conference Centre, madzimai vakange
vakaroorwa nevafundisi, vazodziwa vaMwari, vakange vakagara vachitanga musangano wavo.
Vese vaive 23 vaibva kumaguta akasiyana siyana, uye masangano akasiyana emuZimbabwe.
Isabella ndiye aitambira vese nekuvaratidza kwekuenda, akaona kuti vese vagara
muConference room. After a full hour vamboita zvekunyoresa mazita nekubhadhara mari
nekupiwa all files and books for their course, vakazogara vakamirira vadzidzisi vavo.
Vadzidzisi vakazopinda nguva imwe chete, vaive vakadzi vechikuru vatatu, vese vakagara
kumberi, amai Irene Nyandoro semuridzi wenzvimbo vakachingamidza vese ndokuti; “Inini
ndinonzi Mrs Irene Nyandoro, the patron of this conference centre. Conference and Seminar
services are inter-denominational, it’s for Christ hazvinei nekuChurch kwaunobva, we all serve
and report to Jehovah and Jesus Christ of Nazareth, amen!” vese vakabvumirana navo.
Amai vakaenderera; “I am a full time Reverend weFaith Ministries, the other Pastor of this
Ministry is my only son Pastor David Nyandoro, he is in USA now for his doctorate degree in
Theology. I always talk about him, I am very, very, proud of my son, he is the greatest God gave
me in my 56 years of life.” vakambonyemwerera vega kunge pane zvavaifunga zvakamboitwa
nemwana wavo.
“Takatanga this place as a Counselling place, then Conference and Seminars came as the
Spirit was leading. Then Faith Ministries came into being, it’s a small church aligned to other
international churches, sezvamuchaona. The main objective, or rather the reason for Faith
Ministries is to raise and groom spiritual leaders in Jesus’ name. That’s why you are here
amen.” Amai Nyandoro vakambonwa mvura ndokuzoti;
“I want to thank God again for our administrator, Isabella, pane nguva dzandaishanda ndega,
when I would prepare for a conference like this alone, ndaiita sleepless nights, especially with
David away zvaindiremera. So Isabella is a prayer answered, she is the most organised and
cheerful woman I have ever met, amen. She single handedly organised this seminar, she
contacted our guest speakers and it’s through her hard work we are all here today amen.
Ngatimbomuombererai maoko.”
Mai Nyandoro vakabata Isabella on her shoulders ndokuti; “God bless you my daughter,
restoration of all you have lost is on it’s way, umire panzvimbo.” Vese madzimai vakaombera
vakatarisa Isabella, uyo akatyora muzura kuna Reverend Mrs Nyandoro.
Vakaenderera vachiti; “So madzimai, for all your admin issues munoona Isabella, office yake is
just next to this conference room, pane avo vari kugara pano, kana paine chanetsa muroom or
food issues, munoona Isabella, musazotsvagane nemaCooks and cleaners, right? I know she
will make you comfortable. Ndotenda kwaakabva, those who let her go vakandigonera.”
Vakamboseka ndokuzoti kuna Isabella; “You are excused my daughter.” Mai Nyandoro
vakadaro, Isabella ndokutora mafaira ake oenda kuOffice kwake.
“Right, tisati tataura zvakawanda, I need you to understand that, this meeting is highly spiritual,
whereby we move as the Spirit leads. And God reprimands those He loves. Zvatichataura muno
are confidential matters of prophecy and discernment, tichigadzirisa kumasangano kwatinobva.
So be prepared kungotaurirwa some hidden information. We don’t want you to feel
uncomfortable, asi zivai kuti Mwari vanomiririra shoko ravo, saka don’t be offended kana pakaita
zvinotaurika about your life or about your Ministry. Are we together?” madzimai ese evafundisi
vakati; “Amen.”
“Let me introduce our guest speakers, sitting next to me is Mrs Nozipho Khuse, she is from
South Africa, she is my mentor, when I started this conference centre, she helped me so much
kuti ive zvairi nhasi. Her topic is ‘The Pastor’s wife and the congregation’. Mai Mufundisi
munobata vatendi venyu sei? Do you have favourites; do you know all of them and their needs?
Vese vari muchurch vanokwanisa kuuya kwamuri here or to call you kana mwana arwara usiku?
Kana kuti vamwe havatorina cellnumber dzenyu? Kana uine favourites ndovakaita sei ivavo?
Halloo?” mai Nyandoro vakadaro, vakadzi vakaroorewa nevafundisi vachitarisana vamwe
vachipfipfinyika, vamwe hana dzichirova nemhinduro dzavaizvipa muchinyararire kudaro. Mai
Nozipho Khuse vakange vongonyemwerera vakatarisa mumwe wavo nekuti mamwe mashoko
echishona ange ovadarika.
Mai Nyandoro vakaenderera mberi; “Our third speaker is Prophetess Phoebe Arowolo, we met
in Nigeria when I did my Masters Degree in Theology kuNigeria. Since then, we have always
shared the pulpit here in Zim, in Nigeria, in the Far East, around Europe kwese kwese.”
Amai Nyandoro vakatarisa Prophetess Arowolo ndokuti; “Where haven’t we been together my
friend?” Amai Arowolo vakamboita sevanofunga ndokudzungudza vachiti; “We are only waiting
for Heaven wooo” madzimai akamboseka vakatarisa mutendi uyu.
Amai Nyandoro vakazoenderera vachiti; “This Prophetess is ruthless in the work of God I tell
you. Kana paine vanokurumidza kutsamwa hameno henyu, if you have heard of Holy anger,
ndoinogara yakabata Prophetess Phoebe. Havasi kuzorega muchidzokera kundoita basa
raMwari satan ari pamuri. She always fights evil and she always wins, amen. Her topic is
‘Supporting your husband the Pastor, in serving the Lord.” mai Arowolo vakasimuka
ndokunyemwerera, vachisimudza maoko kuvadzidzi vavo.
Mai Nyandoro vakaenderera; “How do you support your husband the Pastor? Supporting him in
the Ministry nezvaanoita nevatendi, how he runs the Ministry, his interaction with his assistants
to the very last person in the church. How do you make church policies, doctrines, rules and
regulations? Are they Biblical? Some of you muchaona kuti you were running Companies not
Churches, am sorry to say amen!” mai Nyandoro vakadaro madzimai evazodziwa vaMwari
akaramba akavatarisa.
Vakaenderera, “Ko kana baba vachiita unhu hwakasiyana kumba nemuchurch iwe as the
biblical submissive wife unoita sei? How do you handle him as a Pastor in church and as a
husband at home, is there a difference? Believe me there are men of God who are abusive to
their wives, vamwe ndiPastor paPulpit asi chifeve munyika but nekuti the spirit of the Lord iripo
anogona preaching yacho. How do you submit to your husband as well as submit to the Lord
Jesus kana zvisingachafambirani? How do you help your husband before he falls from grace?
Nekuti kana shamhu yaMwari youya inobata mese mumba. She will discuss that and more.”
Madzimai akaombera, vamwe amai mufundisi vaive kumashure vakabva vati; “Ko imimi
mamma Nyandoro, muchataura nezvei?”
“Oh me ok, I had skipped that, I will do the introduction. Teaching you prayer and how to
connect with the Holy Spirit, because without the Spirit of the Lord, you are nothing. We have to
assess you first ladies, how is your personal relationship with Jesus Christ? Do you even know
Jesus? Ndinzwisisei zvakanaka, I am not judging any church here, but these are end time
messages. Vamwe muri kuti mune maChurch imi muine maCompany, saka we have to assess
that, do you really know the Jesus wamuri kutungamidza zita rake kuti vanhu vakuunganirei
every Sunday paying you ‘salaries’ ivo vachifunga kuti they are tithing? Halloo?” mai Nyandoro
vakaseka vave kuona kuti pane vange vovhiringika vakavatarisa.
Vakaenderera, “Kana tichiti born again tinorevei? When we say, let’s pray, let’s invite the Spirit
of the Lord ..... Jesus is here……” amai Nyandoro vakatanga kutaura nendimi ….. “If we say
now the Spirit of the Lord is among us, vangani vaona kuti the Lord is here with us?” vakadzi
vevafundisi vakatarisa mudzidzisi wavo, vamwe vaimunzwisisa, vamwewo sana mai Gambiza
vaishamisika.
Mai Nyandoro vakamboita nguva vakanyarara ndokuzoti pave paya, “Kana tikati Jesu apinda
muno now, how many of you can stand Him? How many can identify with him? So we will start
with repentance, and activate our personal relationship with the Lord, kuti ugove mai Mufundisi,
amai vesangano, kuti ugove mutsigiri akafanira, anosimudzira kwete anodonhedzera mufundisi
nesangano pasi because of ignorance, makahwanda in heavy make up and jewelry. Imi
vasikana

TOO BUSY TO DIE


CHAPTER 14
Stories by: Rutendo L. Nzira
Musi weChishanu weSvondo iri, Barbra aive kumba kwake kuMabelreign. Akamuka murume
atoenda kubasa ndokumbobata bata mabasa emumba. Mushure akarara zvake pasofa achiona
Tv, akazopepuka Lewis akagara pasofa paaive.
“Kwakanaka here, its past 11 you are still in your nighties? Asi uri kurwara.” Lewis akadaro
achimutsa mudzimai wake. Barbra akamuka ndokugara, akaedza kusekerera ndokubata
muromo omhanya kubathroom kundorutsa. Akaita nguva atopfugama patoilet ave kupera
simba.
Lewis ange amira akamutarisa, akazomubatsira kusimuka ndokuti; “Take a bath tiende
kwaDoctor now.”
Vakazogadzirira chinyararire ndokuenda kwaDoctor wavo mudhorobha chaimo. Vakasvika
ndokuenda maive naNurse ave kubvunza bvunza Barbra, nekutora ropa nezvimwe zvakadaro
kuti aone chainetsa murwere.
Nurse akabva azoti; “Makorokoto baba namai Katsande, amai vane pamuviri, 3 months. Regai
tibva tagadzira Antenatal care record renyu, hamuchashandisa card revarwere vese vese iri,
ndokupai remadzimai enhumbu ndorine information yese that will guide us kuti tione kukura
kwemwana nemazuva amunofanira kudzoka kusvika pamunosununguka.” Ambuya mukoti
vakabva vabuda ndokudzoka necard raive rakagadzirirwa madzimai ane pamuviri chete. Lewis
akasara ombogukuchira mudzimai wake achifarira mwana wavange vatarisira.
Nurse vakadzoka ndokuti, “toita routine HIV testing, done to all pregnant women,” akabva atora
ropa zvakare ndokupa mumwe wake akabva abuda naro.
“Ndokubayai kudzivirira tetanus, uye ndokupai iron tablets kuwedzera ropa renyu.”
Nurse aitsanangura achiita zvese pana amai Barbra Katsande, vaKatsande vaimira mira
kubatsira mudzimai wavo uyo akapotsa achema paakabaiwa jekiseni reTetanus, rakamurwadza
chaizvo. Mushure nurse akazogara pasi abata card ave kubvunza; “Mune imwe mishonga
yamuri kunwa here?” Barbra akadzungudza musoro.
“Ko kumba kwenyu kwamakaberekwa pane ane BP here kana Diabetes?” Nurse vakabvunza.
“Yes, tete vangu vane zvese.” Barbra akadaro.
“Ok, chances are munogona kuzviitawo,so you need extra care now that you are pregnant.”
Nurse vakadaro vachinyora muCard riya.
“Now ndoda kuziva Para and Gravida …….” Nurse vakadaro vachiita sevari kutaura vega kana
kuverenga pacard. Vakasimudza musoro kuti vatsanangure zvaireva mashoko avange vataura
ange akanyorwa pacard.
Barbra akakosora chaizvo kunge achadonhera pasi, akabata Lewis ruoko ndokuti; “Sweetie
nditorerewo lemon water yangu yandasiya mumota, I need it now….” Barbra akafemereka.
“Muno hamuna mvura here, it’s 6 floors down there ndodzika ndigodzoka futi, won’t I be late?
Sister please help” Lewis akadaro ave kushaya pekubata ave kungorova rova mukadzi
kumusana.
“No no no honey go get my lemon water pleaseee…..” Barbra akadaro achidzipwa.
Barbra akaita seave kutadza kufema, nurse vakabva vasimuka vomubata, Lewis akamhanya
down the stairs kundotora mvura yaamai. Pakangobuda Lewis achivhara door, Barbra akagara
zvakanaka ndokuti; “Eeeh nurse, mati gravida nechii? I know that language…”
“Gravida kureva kuti inhumbu yechingani? Makamboita dzimwe nhumbu here even
yakambobva or yakazvarwa mwana aripo mupenyu?” Nurse akatsanangura.
“Ndeyechi 3, para chii zviya?” Barbra akadaro achikurumidza achida kuti chikamu ichi chipfuure
Lewis asati adzoka.
“Para meaning vana vamuinavo vapenyu vangani? Varipo izvozvi?” Nurse vakadaro vave
kushamisika nemurwere wavo.
“Hoo they are 2 and vese ndakaita natural birth, hapana operation, munoiti chii? Eeh siza
hapana. Chii futi chamunoda kuziva about zvekuzvara kwangu before?” Barbra akadaro
achifemereka ziso riri kumusuo.
“Hamuna mwana akambofa before the age of 2years here?” Nurse vakabvunza.
“No hapana, next question. Handiti muri kungonyora codes and numbers ipapo?” Barbra
akabvunza.
“Ndizvozvo. Aiwa mibvunzo yapera, next is diet yenyu. But why ……” Nurse vakadimbudzirwa.
“Why....? Chii chacho? Handiti imi basa renyu kuona kuti ndasununguka mwana wangu
zvakanaka pano, mupenyu anofamba, kwandabva nekwandichaenda nhasi or after
ndasununguka is none of your business. And there is patient-nurse confidentiality, murwere
ndini, ane nhumbu ndini, avo baba avo vangondiperekedza. So zvatataura vasipo
hazvidzokororwe. Handitika mbuya sister nurse?” Mukoti akavhunduka ndokumboramba
akanyarara. Paange ave kuda kupindura musuo wakavhurwa Lewis ndokupinda akabata lemon
flavoured mineral water.
“Honey, ndanotenga iyi musupermarket, mumota ndatsvaga pese, did you check your
handbag? So I decided to buy this, are you ok?” Barbra akafinyama finyama ndokutambira
mvura iya akavhura ndokunwa ndokuzoti; “Am fine my darling, nurse vandibatsira chaizvo.”
“So when do we expect our baby, kaJunior kedu.” Lewis akadaro, Barbra akasimuka achiti;
“After 6 months, 9 months dzinenge dzakwana obviously, handei kumba honey am tired ndoda
kurara.” Barbra akatarisana nanurse avo vakaramba vakanyarara.
Akasimuka achisiya handbag yake pafloor padivi pechair yaange akagara, pavakabuda,
vofamba mupassage yaivepo, akabva ati kumurume; “ndakanganwa my handbag, wait ndiri
kuuya.” Akadzokera ndokuwana ambuya mukoti vachakagara vachiverenga card rake.
“Tange tisati tapedza amai….” Nurse vakadaro.
“I know, ndodzoka neMonday.” Barbra akadaro achitora handbag yake.
“Your HIV test results avepo. You are negative, try to stay that way kuchengetedza utano
hwemwana.”
“Ndozviziva. Ndati ndiri kudzoka ndega neMonday.” Barbra akadaro
“But hazviite ….” Mukoti akaedza kutsanangura asi akadimburirwa.
“Chii chisingaite? Hazviite kuti ndidzokere kumba kwangu nguva yandinoda kudzokera?
Hazviite kuti ndibude muConsultation room yenyu nguva yandinoda kubuda? Hezvo? Pan’anga
here pano? Ndimi mambodidaidza? Dai ndisina kuzviuyira pano taitaurepiko zvakadai izvi?”
Nurse vakatadza kupindura mibvunzo yemurwere wavo, vakangoti nhumbu dzimwe
dzinopengesa.
Barbra akaenderera,“Nurse you are paid kurapa anenge akuvingai kwete kutevera vanhu
kudzimba dzavo. See you on Monday.” Akabva abuda ofambisa kutevera murume wake. Aitura
mafemo achifunga zvapotsa zvaitika dai icho neicho chisina kufamba sezvaaida. Ndokwaive
kudambuka kwegown chaiko uku. Akange akwanisa kupedzera shungu dzekutya kwake pana
mukoti uyu. Akatenda mishonga yaambuya Mangena, yaimuchengeta.
Baba namai Katsande vakapfuura nepaCreamy Inn votenga zvaida kudyiwa nemucheche,
vakapindawo musupermarket votenga juices and chocolates; mom and baby’s choices. Lewis
haana kuzodzokera kubasa kwake. Vakaswera vachifara nekupembera kukura kwemhuri yavo,
baba vachiti vakati gare gare voti imbouyai amai tipedzise kugadzira twunzeve, twuziso
netwugunwe.
Musi weMugovera wakatevera, Baba namai Gambiza vakashanyira vanaKatsande. Vabereki
vechidiki vakataura nezvemwana wavaitarisira vese vakafara chaizvo.
Baba Gambiza vakabva vati; “Tati tizoona kuti how are our newly weds doing, taona muri kufara
chaizvo.”
Amai Gambiza vakatsigira murume wavo. Mushure vaGambiza vakazoti; “Eh Lewis, I had a
meeting at the Ministry of Education nezuro. I met the Permanent Secretary and the Deputy
Minister. Am sure you have been watching the Primary Schools competitions aiitwa paTV every
Saturday. So pakaitwa finals saka all winners from the provinces vari kuuya to receive their
prizes, from Grade 3 to 7. It’s the quiz competition of Maths, Science and English.”
Lewis akagutsurira akaterera kuda kunzwa kuti mukuru wake aiti chii. Bishop Gambiza
vakaenderera; “So the Ministry vari kutsvaga Sponsors kuti vape vana their prizes. I promised
them kuti ndichavawanira munhu. I just thought about you, if your Company Kay’s Computers,
can give a Laptop to each number one that is grade 3 -7, a total of 5 students. I am telling you,
all schools will buy Computers from you. That tender yekuisa Computers to rural schools
tinenge tave nayo because of giving away just ordinary 5 laptops. I don’t know your stock, this is
just a proposal my brother.”
Lewis akafarira chose nyaya yange yauya nemunhu waMwari, business rake raizosimuka.
Nyangwe aisawana tender hombe iyo, kubuda paTv zvichinzi all computers donated by Kays
Computers, it was good…. Not good but excellent for business.
“Ndinotenda zvikuru baba nezvamandiitira izvi, I am in. You can tell them you got a sponsor.
Ndichaisa software inoenderana nePrimary School kids.”
“Oh great, toenda tese on Monday to meet the Deputy Minister then vachakuudza what to do.
Prize giving day will be at Rainbow Towers next week Saturday night, I got the tickets tinoenda
tese nana madam.”
Vese vakafarira urongwa uhwu. Vakamboita nyaya, Barbra achiyemedzeka kuna mai Gambiza
achitaurirwa zvenhumbu nevana.
Musi weMugovera wakatevera, baba namai Gambiza nababa namai Katsande vairongedzera
kuenda vese kuRainbow Towers for the National Primary Schools Prize giving day.
Baba Gambiza semuBishop aizivikanwa Harare yese nekunze, ndovakanzi vaizotambidza vana
vegrade 7 maprizes avo musi uyu. Uye ndivo vaitaurwa kuti vakange vabatsira chaizvo
nekutsvaga sponsors, nekuti vakawanda vakapa vana cash prizes apa aive mabusinessmen
aibva muEuthenia Ministries.
Lewis akabva ku Office kwake 4pm yatochaya, akange atoendesa all laptops kuRainbow
Towers. Akasvika kumba ave kumhanya nekuti nguva yakange yapera, vese vakange vakokwa
vaitarisirwa kuve paRainbow Towers vatogara pasi na6pm.
“Ko nhai uri mumagumbeze, ko hatisi kuenda tese? Ndatofunga kuti wapedza zvese
wandimirira.” Lewis akadaro kuna Barbra paakapinda mumba achiwana mudzimai akarara.
“Sorry sha, ndange ndichidisa kuenda, and kumira newe on stage while the Minister
vachikutenda nedonation yawakaita, but ndatadza, am so sick wotoenda wega, otherwise I will
spoil everything.”
“Saka ndodii? Ndotuma one of the boys vekuoffice here?” Lewis akadaro achigara
pamubhedha.
“No no honey, unofanira kuenda, you are the face of Kays Computers. Zvemimba
zvinotevedzwa here?” Barbra akadaro achizviseka, “unoona ndichitadza kumuka now, then
15mins later ndotokurovera laundry yemagumbeze chaiyo…. Kana yave kurwadza zvekupinda
mulabour chaimo ndonodhiga mugarden ini.”
Vese vakaseka chaizvo, Lewis ndokusimuka achiti; “Unowanza handiti? Kunge zvakamboitika
kwauri.”
Barbra akambotsenga mukanwa ndokuti; “Ndozvandaiudzwa namamma Gambiza that day.
Don’t worry honey, let me help you prepare ukurumidze kuenda.”
Barbra akabuda mumagumbeze ndokutanga kubata bata achibatsira Lewis kuti achibuda. Lewis
akatsvoda mudzimai wake ndokuti; “Usararewoka sweetie, and remember they are showing it
live on TV, watch me.”
“Ok ndinokumirira” Barbra akadaro. Lewis akabva abuda mukadzi ndokusara ombogeza
nekubika kuti agogara pasi oona zvaiitika kuRaibow Towers.
Prize Giving ceremony iyi yemaPrimary schools yakange yaitirwa ava vakange vadaidzwa musi
uyu ndovakange vabudirira vakazomiriria maProvince avo. Vakange vave maNumber 1 ega ega
pamasubjects matatu akange aitwa makwikwi.
Pakatanga kupiwa vana veGrade 7, Minister weEducation aitambidza vana ava, certificate of
merit, cheque yemari from different business people uye Laptop to the first ones only from
Lewis Katsande’s Kays Computers. So mabusinessmen ese akange apa vana macheque emari
vaichinjana kumira on stage padyo naMinister, vachikorokotedza vana.
Pakatanga kudaidzwa vana vegrade 7, vachidzika kuvadiki. Baba Gambiza vakapa Laptops
kuvana veGrade 7 kusvika Grade 5, vakazodaidza Lewis kuti azopawo vana veGrade 4 and 3
achimiririra Company yake.
Barbra akange akagara ega achichakunya machokoreti aifarirwa nenhumbu yake akatarisa
paTv. Zvese zvaiitwa apa haana kuita hanya nazvo, akange akayeva zvake Lewis achipota
achizvitsunya kuti murume wake here uyo. Aifara nekugutsikana chose neupenyu hwaakange
azviwanira by hook and crook.
MuTv makamboitwa mhere mhere vabereki vemwana akange achangopiwa prize yake
vachifara. Mwana aidaidzwa ouya otambidzwa mubairo wake, opiwawo mukana wekutaura
mashoko mashoma vobva vaenda.
Aive Presenter wemusi uyu akabva azoti, “Now in grade 3, oh oh listen Zimbabwe, pavana
veGrade 3 tine mwana mumwe chete akaita iye highest in all 3 subjects. Ndiye number 1
kuScience, Maths nekuEnglish, she ….. yes it’s a she….. she has 100% Mathematics, Science
98% and 97% in English. Musikana uyu anobva kuMasvingo. Chokwadi vabereki mwana
wezhira, wezheve nekuzhezheuka.” Vanhu vese vakamboseka vamirira kuona mwanasikana
wacho nekunzwa zita rake.
Presenter akaenderera mberi; “Zimbabwe ngatiombererei maoko Rumbidzai Madziva!” Vanhu
vese vakaombera, hana yaBarbra ichirova atarisa zvino zvaiitika. Presenter akafamba
kundotambira Rumbidzai achimubatsira kukwira paStage, vanhu vese vachiombera.”
“Vabereki vaRumbie, muri kupi, yes ok uyai zvenyu kuno mutsigire chikomborero chenyu. Kana
mwana achigona kudai zvinoratidza mumba maanobva makarongeka. Makorokoto baba namai
Madziva, Congratulations to the School, headmasters and teachers, this great work is well
appreciated. Zimbabwe is proud of Rumbidzai Madziva.”
Rumbidzai akandotambira zvese zvaaipiwa nevakuru vaive kumberi, aingotora
achindotambidza baba vake.
Amai vakabereka Rumbie vakanzwa chibereko chavo kushama nekutya zvaiitika apa. Barbra
akaponeswa nekuti aive nenhumbu, dai zvisizvo angadai akatevera, kuenda kumwedzi chaiko
panguva iyi, nekuvhunduka kwaakaita.
Akashama muromo achiita seachabukura chokoreti yese yaange adya akatarisa Lewis
achimbundikira Rumbidzai nekumutsvoda pahuma nekumutambidza Laptop from Kays
Computers, on Tv nyika yese ichiona, akafunga vanhu vese vaimuziva, akashaya kana
chekufunga pazviri, njere dzake dzika freezer.
Presenter akabva ati; “Rumbie, imbotaura a few words, zvaungade kuti nyika yeZimbabwe yese
izive, vezera rako kuti sei uchigona kudai uye kutenda vanokubatsira.” Akabva atambidza
Rumbidzai microfone.
Mwana akazembera pana baba vake ndokuti; “I …. I … want to say thank you to my teacher
Miss Moyo. And to daddy because ..... because …. Daddy vanoita neni homework everyday.
And to mummy….”
Rumbidzai akafamba achindobata amai vake Mrs Rudo Madziva ruoko ….. “Every morning my
mummy tells me that I am number one, and she makes me say ‘I am number one’. So today I
am number one.”
Vanhu vese vakaomberera mhuri yekwaMadziva vave kubva paStage. Zvakazoitika hameno
hazvo, Barbra ange adzima Tv, muviri wese wave kuteuka nedikita. Pasina kumbokwana 1hour
akanzwa Lewis ave kupaka mota adzoka. Akabatidza Tv ndokumhanya muBathroom
ombogeza kumeso kuti kuchangamuke.
“Hallo, daddy is home, I had a great time sha, I kept on wishing and wishing kuti dai taenda
tese. You were watching handiti? It was good.” Lewis akadaidzira achikiya misuo yese.
Lewis akabva agara pasi achibvisa bhutsu dzake nemasocks. Akabudisa cellphone yake
ndokutanga kuratidza Barbra mafoto aakange atorwa anaRumbidzai nevamwe vana vaakange
apa Laptops ndokuti; “Look at this little girl andapa laptop yekupedzisira hanzi Ruvimbo ...?
Rutendo… ? Ru .....?”
“Rumbidzai Madziva!”Barbra akadaidzira, dai Lewis akatarisa mudzimai wake kumeso angadai
akambonyatsobvunza kuti kwakanaka here.
Lewis ange akafarisa zvekusaona nekunzwa discomfort yaBarbra, akabva ati; “Yes Rumbidzai
hey, I wished she was my daughter, 3 distinctions iwe, and the parents were so proud, I
admired that couple. Tichadaro nemwana wedu, handitika babes?” Lewis akadaro achifara
chaizvo.
Akaenderera; “And you know what, that girl, ange ane a voice like yours and her eyes kunge
iwewe. Kange kachiita kunge kayounger Barbra.” Lewis akafa zvake nekuseka. “Ndozvaita
kanditore mwoyo kamwana ikako, I saw a younger you, my wife. I am crazy handiti?”
Cellphone yaBarbra yakarira Lewis ndokuinhonga ndokupa Barbra achiti; “Daira tete vari kufona
avo”. Barbra akafemedzeka achidzima phone ndokuti; “Am tired sha, ndiri kurwara ini, handei
tinorara. Ndoziva zvavanoda kutaura ndichavafonera mangwana kana ndave nesimba racho.”
Lewis akangotarisa vadzimai vake ndokumurega achitungamira kundorara.

TOO BUSY TO DIE


CHAPTER 15
Sories by: Lovely Rutendo Nzira
Musi weMugovera manheru akare mushure mekubva kuNational Prize Giving Ceremony, baba
namai Gambiza vakasvika pamba pavo 10pm dzichichaya. Vakati vachingopinda mumba,
Bishop vakabva vafonerwa, vakadaira mbozhanhare yavo vakatarisana nemudzimai wavo
mumba mavo mekurara.
“Ben my man, zviri sei? Ok, uri muno muH? Why? Serious? Ok I am coming now, no no it will
be us only, it’s business cheteka no pleasure.” Isaac Gambiza akaseka ndokubvisa mbatya
dzaange akapfeka ndokupfeka jean neT-shirt ndokuti kumudzimai; “Ndichambonoona my
accountants, something is wrong nemari this month. Don’t wait up for me, I will come back late.”
Mai Gambiza vasati vapindura baba vange vatove kumusuwo vobuda voenda kwavange
vadaidzwa.
Amai Gambiza vakatevera vachimhanya ndokusvika baba vave kumutsa motikari; “Ko madii kuti
business partner wenyu iyeye auye pano moita business renyu overnight then mangwana
toenda naye kuchurch mopedzisa in the afternoon”
Isaac akadzungudza ndokuti; “No no no, ndodzoka nhai Doris, zvaita seiko kunditeverera
kudai? Am coming back now.” Vakamutsa mota yavo ndokuenda.
Baba Gambiza vakazopinda mumba mavo mambakwedza 4am dzichichaya, vakangosvika
vachirara. Pakachaya 8am amai vange vomhanya mhanya kupedzisa kugadzirira kuenda
kuService yemusi uyu yaitanga na9am. Baba Gambiza vakazvimanikidza kumuka ndokuti; “Eish
if I had a choice ndairegera kuenda kuchurch nhasi. I am so tired, ndine hope ndoda kurara and
I am not even prepared, handina kugadzirira sermon yanhasi.”
“Ko udzaika Pastor Dube vaparidze.” Amai vakadaro.
“You are kidding right? That pulpit is mine, no one else’s. But ah nhasi zvakaoma wena, I didn’t
sleep.” Vese vakambonyarara, Bishop Gambiza ndokuzoti; “Ko iyo seminar yamaienda what did
you learn? Since you are the only one I trust, unondoparidzaka. You know my doctrine and you
know all my sermons, you can repeat something I said before. Just make sure every member
abudisa mari ine musoro, encourage them to give in the house of the Lord. That’s all.”
Doris akasekerera ndokugara pamakumbo ababa achivatsvoda achipembera; “Thank you,
thank you my darling, sweetheart, I will do that for you, for us, for our church, for the Lord and
Saviour Jesus Christ. This is my day.”
Bishop Gambiza vakabata maoko emudzimai wavo vachimukatanura pavari vachinyemwerera;
“Hoo hoo, zvakwana, kana makiss acho akanyanya remember handina kurara pano,
ndingazode kuti tichipedzeranaka nyaya yacho, tinozononoka kuchurch.”
Doris akaseka achiswedera kure achiti; “I am so happy, ndine sermon yandakagadzira
pataidzidziswa preaching. Handiti I told you vakawedzera one more week, kuti tiite 3 weeks, so
next week tinenge tichiita presentations dzemasermons atakagadzira anoenderana
nemaChurch edu. So ndinayo yeProsperity, I am going to preach prosperity nhasi daddy. The
Holy Spirit is upon me.” Doris akadaro akafara chaizvo.
Isaac akaseka zvake ndokutatamuka oendawo kubathroom kundogeza.
Two hours later, vanhu vaiimba vachitamba muEuthenia Ministries. Mai Gambiza vakangoti
vachisvika pachurch ndokutuma mumwe wesangano kundotora muenzi wavaida kuita naye
mharidzo yavo musi uyu paaiwanikwa muguta.
Pastor Dube vakabva vazoti; “Yave nguva yekunzwa shoko brethren, I call upon the Servant of
God, Bishop I. P. Gambiza.” Vanhu vese vakasimuka vachiombera, baba Gambiza vakatakura
Bible nediary remudzimai wavo range akanyora mharidzo yake vakasvika paPulpit ndokuti;
“This is a Sunday with a difference, I want to call upon the most beautiful woman in this
congregation, a woman who fears the Lord, a woman who has brought so much joy and peace
in my life, a bone of my bones and flesh of my flesh. Mamma Doris Gambiza is going to share
the word with us today.” Bishop vakadaro ndokumirira kuuya kwemudzimai wavo kuPulpit.
Mai Bishop vakasimuka ndokuenda mberi, vakandopfugama pamberi paBishop avo vakavabata
musoro vovanamatira. Vakabva vazomira kumberi ndokuti; “Ndinoda kutenda Mwari nenguva
yakanaka kudai, vandibvumidza to share with you the word of truth. Believe me I am humbled
kuti ndive kumberi kwenyu seizvi amen. I love the gospel of prosperity sekutidzidzisa kunoita
our Bishop every Sunday.”
Amai vakaenderera; “Let’s open our Bibles on 3 John verse 2 ‘Beloved, I pray that you may
prosper in all things and be in health, just as your soul prospers’.
Amai vakatanga kutsanangura; “This was John writing a letter to Gaius who was also a follower
of Christ. In the same spirit I am encouraging you to have prosperous souls. Jesus suggested
that if we are going to live the spiritually prosperous life we will live above the chances,
changes, and circumstances in life. Jesus said, “. . . I came that they might have life and might
have it abundantly” (John 10:10b). Amen” Amai Gambiza vakadaro ndokumbomira vachitarisa
kuti vanhu vaitevera shoko here.
Vakaenderera; “Can you find a better way to describe the life of a prospering spirit than in the
words of the apostle Paul? He says such a life is full of “the fruit of the Spirit,” and that kind of
life “is love, joy, peace, patience, kindness, goodness, faithfulness, gentleness, self-control;
against such things there is no law.” (Galatians 5:22-23).
“Kana usina ukama naMwari zvinoreva kuti hauna prosperity. Mari isina Mwari, mari isina
rugare, rudo, moyo murefu, tsitsi, kuvimbika, mari isina zvipo zvese zvamweya mutsvene
inoreva gehena muupenyu hwako. Tsvagai Mwari, shoko rinoti; “Seek ye first the kingdom of
God and everything else shall be added unto you.”
Doris akambonyarara achifunga kuti yaive verse ani yaidaro asi yakatiza, akatarisa muDiary
make asi ange asina kuinyora. Haana kuita hanya nazvo nekuti aiziva zvayaireva. Paakange
ataura naMrs Arowolo achigadzira sermon yake vakange vamutsigira vachitsanangura
Prosperity.
Mai Bishop vakaenderera nemharidzo vachiti; “I pray God will place in every believer a hunger
for an abundant, victorious spiritually prosperous life under the control of His Spirit. May God
give us a thirst to abide in Christ.
True prosperity is not to live as a millionaire and be buried in your casket. True prosperity is to
be rich toward God (Luke 12:21). True prosperity is to have a prosperous soul. The way to that
eternal prosperity is to walk in the truth and in love, to submit to God’s authority as revealed in
the New Testament, and to imitate godly examples. Then it may be said of you, “Beloved, I pray
that in all respects you may prosper and be in good health, just as your soul prospers.” 3 John
2. And your pastors will have great joy, to hear that you are walking in the truth. Amen.”
Amai Gambiza vakabva vati; “Nhasi ngatimboratidzai kuti tine mweya yakabudirira, we have
prospering spirits. Our Bishop has taught us year in and year out that we have to prosper
materially. And I am sure everyone has a good business, everyone in this church is prospering
financially. Today we are all giving back to the Lord. To show that kana tikabudirira panyama,
mweya yedu inotenda kuna Mwari.”
Bishop Gambiza vaidzungudza vakatarisa pasi. Vakange vasina kufarira mharidzo yemudzimai
wavo. Asi ma ‘amen’ ange akawandisa musi uyu, kunyanya madzimai vairidza nemhururu musi
uyu vachitsigira mharidzo.
Amai Gambiza vakabva vati; “Nhasi tine visitor muchurch medu. We have a surprise visitor.
Pese patinopinda mutown vanofambira paCopacabana munoziva amai ava vanogara ipapo
pamaFood Outlets akatenderedza ipapo. Amai uyai kuno kumberi”. Muenzi akange auya namai
Gambiza musi uyu akasimuka ndokuuya mberi kwavaive. Vaidaidzwa nevese vaivaziva
muHarare kunzi mai Fannie, vaizivikanwa nekunhonga mumabin akatenderera food outlets
mudhorobha, uye vaigara vana Fannie wavo aive mukomana aive ne 8years vachibatsirana
kunhonga chikafu mubin.
Vanhu vese vakashamisika amai Gambiza vachimira vakabata ruoko rwaamai Fannie avo
vaionekwa tsvina yavo yemazuva ese.
Amai Gambiza vakabva vati; “People of God, my soul is prospering, I am an ambassador of
Christ, zvinotaura Jesu in His word, we do as it is because my soul is prospering. Matthew 25
verse 35 ‘I was hungry and you fed me, thirsty and you gave me a drink, I was a stranger and
you received me in your homes, naked and you clothed me’ ameeeen!” Vanhu vese
vakadaidzira amen.
“Ndiani nhasi ari kuti my soul is prospering. I want to thank the Lord for material prosperity by
sharing with mai Fannie what the Lord has blessed me with? Inini as your mother ndaisa $50 iyi
in the offering basket.” Amai vakadaro vachisimudza mari iya for all to see ndokuisa muoffering
basket.
Vanhu vese vakambonyarara vasina kunzwisisa zvaidiwa naaamai vesangano.
Vakabva vati; “Shoko rinoti if your soul prospers zvinoonekwa nezvibereko zvemweya amen.
Kindness is one of them. Today Euthenia Ministries is going to change mai Fannie’s life.
Ngatiunganidzei mari amai Fannie naFannie nhasi vawane groceries, vatenge zvekupfeka,
vasandorara pasi pebridge. Ameeeen. I know you brethren you are good at giving money in this
church, let’s take care of our sister and mother here.”
Vanhu vakasimuka vese vave kuzoisa mari dzekubatsira sekuparidza kwakange kwaita amai
Bishop. Amai vairamba vachikuza vana vesangano ravo, nekutaura maverse anotaura
nezvekubatsira nekuchengeta vanoshaya. Mai vesangano vakapa mari yese kuvakomana
veYouth kuti vaverenge.
Amai Bishop vakaenderera mberi; “Now I am a happy mother, souls are prospering in this
church. But as I said, amai Fannie havana pekugara saka vakandotenga mbatya dzekupfeka
nemagroceries avo, vondoisa pasi peBridge here? Who has a prospering soul apewo answer to
Jesus now, for Jesus is saying I was a stranger and you received me in your homes.”
Baba namai vakange vakagara kumashure vakasimuka ndokuti; “Mamma we have an empty
cottage kuimba yedu yekuGlen Norah, it’s 2 rooms vanokwanisa kundogarako, rent free kusvika
mazotiudza kuti voita sei.”
“Amen amen, mbiri kuna Jesu! Baba namai Chiwara may your souls continue to prosper, may
you grow in grace and knowledge of Christ amen!!” Amai Bishop vakadaidzira.
Vanhu vese vakaombera, mhururu nemheterwa zvichitevera nekutsigira.
Amai vakaenderera; “Ko Fannie, look at this fine boy, anofanira kuenda kuchikoro. Who
brethren has a prospering soul that wants to educate Fannie? Ameeen.” Baba namai Maruta
vakabva vati; “Tinomuendesa kuchikoro, fees nazvese, nekumutsvagira nzvimbo, tichandoona
one of the schools kuGlen Norah ikoko kwavapiwa accommodation.”
“Tinotenda Mwari. Mamma mai Fannie, tinokugamuchirai muEuthenia Family, muno tinoparidza
kubudirira kwenyama nemweya. Tinovimba muchadzoka muno mazuva ese, we want to see
your soul prospering mugoitirawo mumwe mwana waMwari sezvamaitirwa nhasi. May you
prosper in Jesus name ameeen.”
Mai Gambiza vakatambira envelope yaive nemari yavakatambidzwa nemukomana weYouth
ndokuti; “Church, taunganidza $615, kuti tipewo amai Fannie, amen. Mwari vakuwedzerei, may
your businesses and careers prosper as you have proved kuti your souls are prospering, by
taking care of one of your own amen! Ndave kuipa yese kuna amai Fannie, vachibva pano vari
kuenda nababa namai Chiwara vondosiiwa kuimba kwavachagara .....”
Bishop Gambiza vakasvika ndokutora microfone ndokuti; “We thank mamma for this, but musati
maenda amai Fannie, for you to prosper remember your tithes and offering and seeding and
love offerings to the man of God. Mukasadaro the wrath of God will follow you. Uye rangarirai
this kind of money hamuipiwe every day .....”
Amai Gambiza vakatora microfone ndokupa Pastor Dube vodaidzira veTithing vemusi uyu, uye
kuita munamato wekuvhara service yemusi uyu.
Baba namai Gambiza vakandogara pamasofa vanhu vachiuya nemari dzechegumi. Pakapedza
vanhu vese kubvisa mari yechegumi, baba Gambiza vakaisa mubag ravo ndokubuda voenda
kumba kwavo. Pakazopedza vanhu vese kukwazisana naamai vega musi uyu, ndopakaona
amai Gambiza kuti vakange vasiiwa nemurume wavo. Vakazoperekedzwa kumba kwavo
nanaKatsande.
Pakangopinda amai Gambiza mumba mavo mekurara, umo vange vakamirirwa nemeso
matsvuku, Isaac akabva ati; “What was that comedy about? Giving a beggar, a vagabond, my
money, just like that? Why??”
“But daddy, that’s what the word says inga wani, ndange ndichida kuti vanhu vanzwisise kuti
soul prospering chii. You have always talked about money as if it’s the yardstick
yeprosperity.....”
Isaac akaridza tsamwa ndokuti; “Oh so uri kuziva zvako kuti zvese zvawange uchirutsa kutaura
mberi kwevanhu you were opposing my church doctrine? So this was deliberate?”
“Daddy please, what kind of Christianity inenge hypocrisy yamunomboitawo sometimes? I am
learning new things zvichasimudza sangano redu and make us better people in Christ .....” Amai
Gambiza vakaedza kutsanangura.
Baba Gambiza vakasimuka ndokumira kumberi kwemudzimai wavo, uyo akange amira asina
nekubvisa zvaange aenda akapfeka kuchurch musi uyu.
Vakamunongedza nechigunwe chaibvunda vachiti; “Now you listen. Euthenia Ministry is mine. I
started it alone! I drafted the doctrine alone! I make rules and regulations alone! I make changes
alone! Uri kunzwa? Zvandinotaura ndozvinoitwa in Euthenia, do you understand?!” Isaac
akazhambatata.
Doris akambonyarara achifunga ndokuzoti; “Do we really have to argue about the word of God?
Kutenda kusina mabasa kunobatsireiko?”
“Iwe that was the stupidiest thing you did today, ungape a vagabond all that money? For what?
And its MY money! Wange uchifanira kundibvunza you idiot.” Isaac akadaro achiwedzera
kutsamwa.
“Inga vaenda nanamai Chiwara, vachavabatsira to settle in using that money. What’s your
problem? Handisi kukunzwisisai ini daddy? Mungatsamwire mari kudaro here? Kunge muri
kutoti hapana mumwe munhu anofanira kubata mari inobviswa nevatendi kunze kwenyu nhai.
Inga tithes iripo, offerings aripo, zvambonyanyodiiko zvanhasi? And sometimes vanhu
vanobvisa double or even triple yapiwa mai Fannie wani?” Doris akadaro ave kugumbukawo.
Tsananguro iyi yakapa Isaac Gambiza hasha akati; “Oh you are still arguing? Disagreeing? I
see uri kutondiita stupid kuti I don’t know how to run my church affairs handiti?”
Doris akapotsa ati “Ehe,” asi shoko rakagumira mumazino, Isaac wacho aisavewo benzi, he
was a good intelligent mind reader. Akazviona kuti resistance ndoyange yakwidibira amai
veimba. Akati ngatichisvitsana kumapena kwacho kana rudzi rwaEva urwu ruchifunga kuti
rungadzokorora yakatambwa Adam mumunda. Iye Isaac aisazoona nhamo yakadaro,
aisazoitwa zvakadaro, experience yaAdam yakange yamudzidzisa kuti vakadzi ndevekuita cut
to size vasati vaenderera.
Gambiza akafemereka nehasha ndokuti; “Give me your car keys.”
Doris akaseka achivhara tsamwa yaange aridza, “Excuse me?” Mudzimai akadaro achikatanura
jewelry yake, nekubvisa bhutsu dzaange akapfeka.
“Ndati ndipe makey emota yangu yaunofamba nayo uchiti ndeyako, nhai Doris. Starting from
tomorrow unofamba nemacombi nemataxi or netsoka, kana kurega kufamba kwacho, I don’t
care.”
“Ndokupenga chaikoka uku .......” Mai Gambiza vakadaro. Bishop vakatora makey emota
yaamai Gambiza aive padressing table mumba mavo umu ndokuisa muhomwe mavo.
Akafamba kuti achibuda mumba umu, akanzwa Doris ave kuti; “I am not a child Isaac ....” Doris
akadaro aona kuti murume ari kutoenderera uye atotorerwa makey emota.
Isaac akacheuka achidzoka ndokuti; “Ndipe bank card racho tione. Kana wave kuda mari go
ask mai Fannie or whoever that psycho you stupidly and brainlessly donated your allowances
to. Nonsense.” Isaac akatora handbag yavadzimai vake ndokudurura zvinhu zvese
pamubhedha, akatora macards ese ane chekuita nemari ndokuisa muhomwe make.
Doris akahutisa miromo neshungu misodzi yazara mumaziso;
“Isaac wave kupenga here, seriously unga ......” vakadimbudzirwa.
“One more word from you and you will hand over your cellphone to me.” Isaac akadaro ndokuita
nguva vakatarisana, mukadzi akadzora uso misodzi ichierera atsikitsira. Murume akafamba
ndokumbobuda ndokudzoka zvakare;
“And another issue, hauchaenda kuSeminar kuya ever again, I think that was a mistake on my
part, you should not have gone at all......”
“No Isaac you cannot do that to me!” Doris akadaro achizvikandira pamubhedha paakasvika
achigara.
“I just did!” Isaac akadaro achiisa maoko muhomwe. “We need to prove who has the balls in this
household.”
Murume akaenderera; “In fact, if you want you can go but ukaenda futi or if you have any
association with those fools, uende zvachose. I won’t tolerate any opposing forces in my house.
Nonsense!”
Murume akarovera misuwo ndokubuda, Doris akazoona Range Rover yemurume akamuroora
yave kutobuda pagedhe.
TOO BUSY TO DIE
CHAPTER 16
Stories by: Rutendo L. Nzira
Svondo rakatevera, musi weMuvhuro wacho, Barbra akangoti murume achibuda kuenda
kubasa, iye ndokuendawo kuchipatara ondopedzisa kunyatsoonekwa nhumbu yake zvakanaka,
pasina kuhwanda nekumhanyisa maziso pese pese kunge mbavha.
Paakange ave kumba, akabva afonerwa naVictor Madziva; “Ko sei kusandiudza kuti chikomba
chako ndochakapa mwana wangu that laptop?”
Barbra akaridza tsamwa kazhinji zhinji achinzwa hasha kuti sei Victor amufungira zvakadaro.
“Ndaiziva kuti ane prize or even kuti muri muHarare here? Usade kundinzwa.” Barbra akadaro.
“Tete vako ndovakanditaurira zvese izvi, ndakatofona kuMinistry of Education so zvauri kutaura
chinenge chokwadi. For the first time mai Rumbie wataurawo chokwadi.” Victor akadaro
ndokuseka chaizvo.
Barbra akaramba akanyarara, akange achida kuti Victor achisiyana naye, aidawo kuziva
nezvevana vake asi aishaya kuti otangira papi kubvunza. Ko dai Victor aizomuti imbotorawo
vana vakushanyire aizvigona here? Aisada kuti anyatsoburitsa zvakadaro kuti aisakwanisa
kutora vana vake.
Victor akabva ati; “Tange tatokufungirawo zvakanaka kuti you convinced chikomba chako kuti
apewo mwana wako computer, izvo kwaani hauite zvakadaro? Ko iye anomboti vana vako vari
kupiko?”
Barbra akambofemedzeka ndokuti; “Iwe ndakaroorwa, hautaure nemukadzi wemunhu
saizvozvo wanzwa? Bye.” Akabva adzima call history yese zvayo nehasha neshungu. Mweya
wake waisave nerugare. Asi akange asina mhinduro dzaizadzisa zvaive zvakashama maari,
aiziva kuti pane zvaida kugadziriswa muupenyu hwake asi ange asingazive kuti zvogadzirwa
sei. Pane nyaya dzaaisada kuti dzibude, asi airemerwa nadzo nekudzivanza kwaange adziita.
KuFaith Ministries Conference Center, madzimai evafundisi vaidzidziswa mharidzo dzavaifanira
kuzondoita kumasangano avo. Vese vakashamisika kuona amai Doris Gambiza vasipo.
Pakasvika lunch hour vasipo, Isabella akabva azofona asi runhare haruna kudairwa. Zvisinei
vaivepo havana kumira nechirongwa, vakaenderera vachidzidza vese basa raMwari
sezvavaifanira kuita, mumweya nemuzvokwadi.
Musi weChitatu, Doris akazofonera Isabella, akatadza kutaura zvakawanda, akangokwanisa
kuti; “You were right kuti that place changes lives. My life has changed, ndakaona zvinhu zviri
kundityisa zvandaisaziva mumba mangu. But I am confused now, 80% of me says I must fight
and win ndirarame muchokwadi whatever it may be. Asi 20% inotiwo dai ndakagara zvangu in
my fantasyland mandaive, ndisina chandaiziva. Life was easier that way. Now I don’t even know
my husband. I don’t know kuti hondo yacho ndikaitanga ndinoigona here.” Doris akazopedzisa
kutaura misodzi yoerera kwaaive, aisada kuti Isabella anzwe kuti mai Bishop vanotochemawo.
Isabella akabva ati; “Am sorry amai Gambiza, mai Nyandoro said you are a Pastor, kwete a one
day Pastor asi zvachose. Ndichavaudza vagofona.”
“Uumm aiwa ngavasafona, vaudze zvako kuti ndakarambidzwa kudzoka asi ngavasafona,
ndovafonera inini, otherwise ndingatozogara kumba kwavo.” Doris akadaro.
“Ok, its fine. Musatye mamma Gambiza, I believe this is a passing a phase, you are a great
woman, zvichapfuura.” Isabella akadaro ave kunzwira mumwe wake tsitsi. Mai Nyandoro vaive
vakabatikana muSeminar haana kukwanisa kuvaudza nyaya yaDoris kusvika vatochaisa vese
vakaenda kumba.
Paakapedza kutaura naIsabella, Doris akarara akatarisa mudenga pfungwa dzake
dzichidzokorora zvakange zvaitika musi weSvondo wacho. Hana yake yairova nekuti akange
aona mumwe Isaac Gambiza waasingazive. Wange watove musi weChitatu, baba Gambiza
vaipinda mumba mavo kwaedza mazuva ese, vasingataure naye kana kumutarisa. Vaipinda
mumba vogeza voperekedza mwana kuchikoro nekuzondomutora zvakare masikati.
Akafunga kunakidzwa kwaakange aitwa nezvese zvaakange adzidza kuSeminar akaona kuti
akange atambisa nguva yake. Aizozviita kupi? Zvaiitawo sekuti zvese zvaakange adzidza yaive
opposite yezvaida baba veimba, saka zvaimubatsirei.
Akarara kudaro achinzwa kutsva neshungu dzekusanzwisisana kwake nemurume wake,
akaona musuo wemumba umu wave kuvhurwa Bishop Gambiza ndokupinda. Hana yake
yakarova sezvo aisamutarisira panguva iyi, uye aisaziva zvekutaura naye, aiya kuwedzera
kumugumburisa.
Zvisinei akati; “Baba Tafadzwa, am so so sorry, I don’t know how to reverse everything that
happened on Sunday, please forgive me. Can we have peace in this house, please” Doris
akashingirira kudaro.
“What happened on Sunday?” Isaac akabvunza akafuratira mudzimai wake. Doris
akamboshaya kuti otsanangura achiti chii ndokuzoti; “Zvese, the preaching, nemari yandakapa
mai Fannie, it was your money, ndakakanganisa zvangu, Isaac please, don’t be hard on me….”
Isaac akaseka kwainge kugomera ndokuti; “saka ukabvunzwa kuti chii chiri kunetsa pamba
pano unoti baba ava vakatsamwira six hundred dhora yandakapa a beggar in church, ndizvo?
Ndokundiita satani chaiye handiti?”
“Inga ndati zvese wani nhai baba vaTafadzwa, please, I can’t take this anymore.” Doris akadaro
achishingirira kuti misodzi isabude.
Isaac akafinyama achisimuka pamubhedha paange agara ndokumira pamusiwo achiti; “Kana
usingazive why I got so angry then you are a fool. Haundizive handiti?” Murume akabuda
ndokuenda. Doris aitarisira kunzwa mota ichibuda muyard asi hapana zvakadaro zvakaitika.
Akambofunga kuti otaura nyaya yacho sei zvaizogutsa baba veimba. Akatevera ndokuwana
Isaac akagara pasofa achiverenga newspaper.
Doris akasvika ndokupfugama paive nemurume wake, “Baba Tafadzwa, I changed your Ministry
doctrine ndisina kukuudzai, ndakaita decisions kumberi kwevanhu vese ndisina kukuudzai. I am
so sorry for disrespecting you that way my Bishop, it will never happen again.” Isaac akatarisa
mudzimai wake ndokupeta bepanhau rake ndokuriisa patafura yaive kumberi kwake. Akabva
ati; “Gara apa mai Tafadzwa. So unotofunga zvakoka? Yes I am glad wazoona problem yako.
And like you said, it won’t happen again.”
Pane kuti afare kuti ange aregererwa zvivi zvake zvese, Doris akabata musoro akatsikitsira
pfungwa dzake dziri kure kure.
Isaac akabva ati; “On Sunday you will preach again, and encourage people to give mari like you
did last Sunday, ndini ndichaziva kwekuendesa mari yacho. Handina church inozara vagabonds
vachizotora mari. Ukadaro then nyaya yacho yobva yapera. Then I will decide about your car
and bank cards. Ndizvoka.”
Mai Gambiza vakagutsurira nemusoro semwana mudiki, vakambofemedzeka ndokuti; “Don’t be
too hard on me Isaac please. Waita hako zvakanaka wandiregerera, I am now at peace.”
Haana kumirira kupindurwa akasimuka ondorara. Isaac akanyemwerera achikwenya ndebvu
dzake akatarisa mudzimai aifamba achibva paari ndokuzoteverawo.
Pazuva rakatevera, Doris akazofonera mai Nyandoro, havana kushamisika kana kumubvunza
kuti sei asina kudzoka. Izvi zvakamunetsa nekuti ndozvaaida kutsanangura, vakamuti; “Mai
Gambiza, you need Bible studies. Undipe email address yako ndikupe lessons and
assignments, tozoona if we can meet kana pane zvinoda kuti titaurirane, otherwise take it as a
correspondence course, handiti?”
Doris akambonyarara ndokuti; “Handifunge kuti ndinombozvikwanisa ini. Ko ndikazogumira
munzira zvakare?”
Mai Nyandoro vakabva vati; “Inga ndakakuudza wani kuti you have the anointing already, it’s
just that you don’t have the word of God in you. After this course you won’t have such defeated
questions, unenge wave nemhinduro from the word of God that spell victory. Let’s do it,
remember you are not alone, the Spirit that has anointed you will make it possible and I will
support you all the way.”
Doris akaeredza misodzi yakanzwikwa namai Nyandoro; “I am suffering ini, handina kumborwa
nemurume wangu like we did apa, ndave kutotya any other move ingamutsamwisazve.”
“I share your pain and I understand your fears. Ndosaka Mwari vari kuti you need His word in
you, kana shoko ravo rikazara mauri it will answer all your fears mwanangu. Take this course
then tozotaura again. God is with you, usatya zvako.” Mudzimai mukuru akatsanangura.
Doris akaita kugutsurira ndokuzofunga kuti yaive fone achibva azoti; “If you say so, let me try,
am so discouraged.”
“Did I tell you your anointing is in Marriage restoration? You are a marriage counsellor and you
will restore all family disputes, ndobasa rako iroro in the kingdom of God.” Mai Nyandoro
vakadaro.
“Ah inini? Ndozvigona izvozvo?” Doris akashamisika.
Mai Nyandoro vakaseka ndokuti; “Moses aikakama asi he led the Israelites out of Egypt, David
kaive kakomana asi he became the greatest king, Paul akanyora most of the new testament
aitouraya vaida Jesu, can you imagine. Mary a virgin girl from a disadvantaged background
ndiye akazvara Jesus Christ. Mwari vanodaidza wavanoda. You have found favour with God
mwanangu.”
Doris akadedera akabata fone yake achinzwa izvi, akabva ati “Ah madaidzirwo acho anorwadza
aya, I need peace and love mumba mangu ini. This is too complicated for me.”
“All that God will give you, and more, for nothing is impossible with Him. But imbofungawo
mwanangu, unganzwisise sei an abused woman kana usina kumbowana situation inokubata
mumarriage yako when you felt abused by your husband? Ko ungatore mumwe mudzimai
serious here kana akakuudza kuti my husband abuses me kana iwe upenyu hwako hwese
abuse waiinzwira muCounseling room mevatendi vesangano renyu? God will teach you
everything in His mysterious ways, and chawadzidziswa naMwari chinonyorwa pamoyo pako
hauchikanganwe futi.”
“”Ok ok I get your point, bye, my husband is here.” Doris akamboramba akatarisa cellphone
yake hana ichirova, zvaireveiko izvi? Mai ava vaitaura Seiko, vaiziva here kuti akambotaura
zvakadaro kuti maproblems emumarriage aisamaziva? For sure she needed Bible studies,
hadzisi nyaya dzekungonzwa wotobata zvese nezuva rimwe chete.
Akazvipira kuita Bible Studies yacho, after all she was grounded, akange arambidzwa kufamba
nekubva pamba. Asi cellphone yake neComputer zvaivepo, ange asina kunge atorerwa, saka
aizotevera hutungamiri hwamai Nyandoro. Ko handiti vakange vati zvese zvaimunetsa
zvaipindurwa neBible, iye Bible racho aisanyatsoriziva saka kuridzidza nemukana waaizopiwa
namai Nyandoro kwaizomubatsira.
Musi weChina wevhiki iyi kuConference Centre, madzimai emaPastor akange opedzisa
zvidzidzo zvavo kuti vagoparadzana musi weChishanu wacho. Isabella akapinda maive
makagara madzimai ese vadzidzisi vasati vauya ndokuti; “Pamusoroi, nhasi iBirthday ramamma
mai Nyandoro, so pano vashandi vavo vese we celebrate, we share a cake and singing and
pray with her. Saka tichazviita tese muDining Hall patea break. Saka mese muvepo, and also
there is a little surprise for her, ndangoti mese muzive kuti tigovepo tese.”
Madzimai ese akafarira urongwa uhwu sezvo vese vaida amai ava vaivadzidzisa
nekuvakurudzira basa raMwari. Pakachaya 10am vese vakaungana muDining Room, Isabella
akaronga kuti namai Khuse namai Arowolo kuti vambononotsa mumwe wavo kuuya kuDining
Hall kuti zvese zvinge zvarongwa uye vanhu vese vamirira.
Vashandi vese vepaConference Centre vakaunganawo, kubva kune aishanda panze,
vemuKitchen, vaitsvaira, vese vaivepo, uye vemuKitchen vakange vaisa Birthday Cake raive the
number 57 as she was turning fifty seven years old, rakazadza tafura yese. Amai Nyandoro
vakangoti vachipinda munhu wese ndokuimba Happy Birthday kuna mamma. Amai vakafara
kunge vachachema vachitenderera pavashandi vavo vese hugging and smiling at everyone
declaring blessings.
Pakanyarara munhu wese, Isabella akabva ati; “This is for you mamma, from all of us, we love
you very much, you are the best mother anyone can ask for.”
Mai Nyandoro vakanyemwerera kumunhu wese nemufaro; “Be blessed vana vangu, the God l
serve is such a wonderful, wonderful, Father, who would have known ndaizoita full house
yevana yakadai, when I only gave birth to one son, now 20 people live with me everyday and
call me mamma. Oh look at you, the lovely Isabella, funny Tapedza, hardworking Lyson,
talkative Theresa, ever commenting Khulekani, smart Mai Munashe, mese kani my family, my
blessing.” Vese vakaseka vachiombera nekuwanzira vakange vadomwa mazita.
Isabella akabva azoti; “We will all share the cake and tea and drinks. But before that, we have
another surprise for you mamma. I suggest mugare pasi.” Mai Nyandoro vakabva vagara pasi
vakatarisa Isabella kuti ataure imwe surprise.
Pastor David Nyandoro vakabva vapinda ndokuenda paive naamai vake; “Happy Birthday
Reverend Prophetess Irene Nyandoro. The best mother in the whole world.”
“My son..... my only son!” amai vakadaro vachimbundikira mwanakomana wavo. Vakamboseka
vese vachifara kuonana. Pastor David akazocheka cake ndokupa vese vaivepo achiseka
nekuita nyambo nevashandi vaamai vake vese.
Pakapera zuva iri munhu wese ange akafara paConference Center. Vanhu vese vave kubuda
kuenda kumba kwavo, David akaona amai vake vari muOffice maIsabella ndokuendamo.
“I love your surprises but apa wazonyanya, ndange ndisingafunge kuti ungauye. I thank God for
today.” Amai Nyandoro vakadaro kumwana wavo.
“Mother, mother, last year I had exams this time, so I made sure this year I wouldn’t miss your
birthday. But this time all thanks to your PA, she suggested it, pavaigadzira your cake
akandibvunza what to write and kana ndaida kuti aisewo a present on my behalf. And that
triggered my coming home. Thank you Isabella.” David akatsanangura.
Isabella akangonyemwerera ndokunyarara, amai Nyandoro vakabva vati; “Ngatichiendai
kumba, it’s been a long day. And vana auntie vako Mrs Arowolo and Mrs Khuse vanoda
kukuona.”
David akabva ati; “It’s 4pm l will be home around 8pm, for now ndoda kumboona Harare.”
Mai Nyandoro vakatarisa mwana wavo vachishamisika; “Kuona Harare? How? Why? Zvingaite
so urgent when the Pastors are waiting for you?”
“Ndiri kuperekedza Isabella kumba kwavo, we will have a drink or two along the way.” David
akadaro.
Amai Nyandoro vakabva vati; “Oh, hooo, ok. Regai ndiende zvangu kumba kwangu.”
David akatarisa Isabella uyo akange oshaya pekutarisa nekunyara mai Nyandoro. Amai
pavakabuda, Isabella akakiya musuo wake ndokufamba voenda kumota yaDavid, ave
kuperekedzwa kumba kwavabereki vake kuChitungwiza.

TOO BUSY TO DIE


CHAPTER 17
Stories by: Lovely Rutendo Nzira
David Nyandoro akazosvika pamba pavo amai vake vatorara, haana kuvamutsa,
akangosvikorarawo. Ave mangwanani ezuva rakatevera, amai nemwana vakagara vese at the
breakfast table. Amai vaida kundooneka madzimai avakange vadzidzisa for three weeks avo
vakange vadzokera kudzimba dzavo. Vakatuma vashandi vavo vaviri kurongedza dinner sets
avaida kuzopa mumwe nemumwe mudzimai kuti aende nazvo kumba kwake.
David akasvika ndokuzvidirira coffee ndokugara akatarisana naamai vake.
“Marara sei mamma? Sorry ndakatadza kudzoka on time nezuro.”
Amai Nyandoro vakati; “I understand, under normal circumstances handiti ungadai uri kumba
kwako nemhuri yako, you are 34, vezera rangu vatove nevazukuru vatatu chaivo.”
“There you go again! Mother please.” David akadaro achinwa coffee yake. Vakambonyararisana
nekuti pavakambotaura nyaya iyi vakapedzisira vatsamwisana.
David akafemedzeka ndokuti; “That Isabella lady .....ayassss.”
Mai Nyandoro vakaramba vakanyarara vachida kuti apedzise mubvunzo wake, pavakaona
angonyarara,vakazoti; “Aita sei Isabella?”
“Never mind, it does not concern you.” David akasimuka ndokuti; “Ndichaenda kuAMFCC
ndimbonoona my friends maStudents ababa Guti and also I have a few Pastors to see at Living
Waters Bible School. I will join you late in the afternoon.” Akafamba achibva paive naamai vake.
“David, dzoka pano.” Mai Nyandoro vakadaro vachitendeuka kutarisa kwaienda mwana wavo.
“Wati Isabella aita seiko?” amai vakabvunza.
“Hapana, she is a nice lady chete.” David akadaro.
“Talk to me son, infact, pedzisa your first statement about her.” Amai vakadaro.
“Kuti chiiko mamma, handiti makamuti God will restore her marriage, kuti adzokere to someone
who illtreated her zvakadaro, someone who is having another family? So she believes your
word on that one, waiting faithfully.....”
“I spoke of restoration yes, God will definitely give her restoration. I did not talk about her ex-
husband. Ko iwe zvinei newe?” Amai Nyandoro vakabvunza.
“I just said it does not concern you.... but was it advice or prophecy? Anyway can I have my
privacy please .... mother.....” David akafamba ndokuenda kubedroom kwake.
Amai Nyandoro vakasimukawo votora handbabg yavo voenda kuConference Centre
kwavo.*****

Mazuva akamhanyidzana akaita masvondo, masvondo akaita mwedzi, kukave kupindana


kwemazuva. Upenyu hwevanhu vakawanda hwaienderana nesarudzo dzavo nemweya
nemasimba aivabatsira mukurarama kwavo.
Barbra akasununguka a bouncing baby boy, mhuri yese yekwaKatsande ikapembera nemufaro
mukuru. Mwana akatumidzwa zita rababa vake sekufara kwavaiita mumhuri. Kuuya kwemwana
uyu kwakapa Barbra zororo, zvaaida nezvaaitarisira muupenyu hwake zvange zvobudirira.
Akange atangazve imwe mhuri ina baba vane mari sekuronga kwaakange aita. Achirera mwana
wake ane zvese zvakakwana, kwete zvaaiita kwaVictor, kutemeseka musoro kuti nhasi
ndobikira vana chii. Apa aitotemeseka kuti ndopa mwana chii nekuwandisa kwazvo. Chese
chaaiona paTv kana muMagazine aindotengerawo mwana wake.
Airohwa nehana paaimboona Lewis Junior saTadiwa, aibva apopota ari ega akatarisa mwana;
“Ko waidawo kuti ndiite sei? Kutokuchengetai kwainetsa, ndainzi ndifewo ndakadaro kuti ndini
ndadiiwo. After all mave kufara manje saka ndakatogona, dai ndakaramba ndiripo hapana
chaishanduka.”
Akange agara navatete vake mwedzi wese paakasununguka achipembera kuti akange awana
imwe mhuri sekuvataurira kwaakange aita. Pese pavaitaura zvana Rumbie, aivaudza kuti
zvakapfuura uye zvange zvakanaka nekuti vana vacho vakange vasiri kutambura. Vatete
vairambirana naye zvese zvaaitaura, vaimuti ngaaudze Lewis nezvevana vake uye vana ava
vaifanira kupota vachimushanyira. Barbra akazopedzisira abvumirana navo kuti zvipfuure.
Vatete vakazviona kuti kwaive kutaura kwepamusoro asi mwoyo wemwana wehanzvadzi yavo
wakange usina kugadzikana. Zvakanyanyiswa nekusauya kwavamwene vake zvachose
kuzoona mwana wake.
Mwana wake paange atosvitsa gore rese ndopakazofona vamwene vaBarbra vachiti vave
kuuya muHarare kuzoshanya. Barbra akange akavamirira. Akandobvunza kuna ambuya
Mangena kuti amai ava vainetseka neiko naye, ambuya vake samazuva ese vakamudzikamisa
vakamupa zvekuzora nekundopisa nekupwititidza mumba kudzinga negative energy yaizouya
navamwene. Pavaimuona vaifanira kudzikama nekumufarira uye kumugamuchira mumoyo
make kuti ndiye ave amai Katsande, kuti vafarire hwumbuya Katsande hwavo murugare
naBarbra.
Barbra aisave nehanya navamwene kana nehama dzaLewis, aive nehanya naLewis wacho, uyo
waakange adzidziswa naambuya Mangena kuti anodzikamiswa sei. Aive paaida chaipo
chaipo.*****

Mai Gambiza vakange vazvipa rugare mumoyo mavo kuti vagare murudo nerunyararo mumba
mavo. Vaidzidza zvidzidzo zveBible zvakavhura njere dzavo, zvikaita kuti vanzwisise kuti Mwari
ndiani, Jesu Kristo weNazareta anomboita nezvei. Pano neapo vaikwanisa kusvika
kuConference Center kwaamai Nyandoro vachindowana zvimwe zvidzidzo zvavaida.
Vakakwanisawo kufadza murume wavo, Bishop Gambiza, nekusapindira pamari yake
sezvaaida. Uye vakagonawo kukumbira kuita basa raive pamwoyo pavo muEuthenia Ministries.
Vakabvumirana kuti baba Bishop ndivo vanoparidza nekukurudzira vanhu kubvisa mari. Amai
vakati vachaita Bible studies nechurch yese service isati yatanga. Amai Gambiza vaiti
chavadzidza vakabatisisa muBible vondodzidzisawo sangano rese. Vatendi veEuthenia
Ministries vakadzidza Salvation, Holy Spirit, Christian Living, Baptism, Sin, Righteousness,
Second coming of Christ, uye amai vakakurudzira vanhu kuverenga maBible avo.
Izvi zvakaita kuti musangano umu muve nemapato maviri, pane vaisafara nezvaiitwa namai
Gambiza. Zvidzidzo zvamai Gambiza zvaizoenderera zvichitsiura humwe hunhu hwange
hwajairwa nevatendi vemusangano iri.
Pane vaive nemari dzavo uye vari padyo naBishop asi vari maSunday Christians chete,
vakatanga kuzvitsaura nekutaura taura vachitsoropodza mudzimai wemukuru wesangano.
Vaisafara nazvo vainyanya kuonekwa nekunonoka kuuya kuchurch, vaizouya nguva yeBible
Study yapera. Kutaura uku kwakasvika kwavari vese baba namai Gambiza, baba Gambiza
vakati zvido zvevaridzi vemari kunyanya. Saka kamwe chete pamwedzi amai Gambiza
vaizobvumirwawo kuita Bible studies nesangano rese.
Amai vakaitawo nharo dzavo vakatsvaga zuva repakati peSvondo kuti vaida havo vauye
kuzofunda Bible. Kwakauya vanhu vakawanda kupinda vavaitarisira, vakaona kuti pane nhinhi
shoma dzaive nezvimwe zvikonzero nezvinangwa kuparadza chinangwa chaMwari paupenyu
hwemunhu.
Nemumwe musi weSvondo, baba Gambiza vakati mudzimai wavo; “Muparidzewoka amai this
Sunday, but ndoda kuona mharidzo yacho musati maenda paPulpit.”
Amai Gambiza vakafara nazvo vakagadzirira mharidzo yavo. Semazuva ese vakanyora zvavo
muDiary ravo zvese zvavaida kuzoparidza nema verse acho.
“But ndichangoparidza shoko raMwari, any announcements kana zvimwe admin dzemari
nezvimwe zvese handiite.” Mai Gambiza vakadaro.
“Yes yes, ndizvo chaizvo, women are poor in business, good pakungoropodza kutaura zvisina
maturo, go talk and get their attention and I will do what keeps us going, right?”
“Yes daddy.” Doris akadaro ndokunyarara. Pave paya akatambidza Gambiza diary rake ndokuti;
“That’s my sermon daddy.”

Bishop Isaac vakatanga kuverenga vachidaidzira vachiti; “Sermon Tittle: The Love of God.
1.God’s Love Shown Through Jesus Christ: John 3:16 “For God so loved the world, that he
gave his only Son, that whoever believes in him should not perish but have eternal life.
2. God Loves and Cares For Us: 1 John 3:1 See what kind of love the Father has given to us,
that we should be called children of God; and so we are. The reason why the world does not
know us is that it did not know him.
3. What God Says About Love: Deuteronomy 7:9 Know therefore that the LORD your God is
God, the faithful God who keeps covenant and steadfast love with those who love him and keep
his commandments, to a thousand generations,
4. Respond To God’s Love Through Thankfulness :Psalm 136:26 Give thanks to the God of
heaven, for his steadfast love endures forever.
Bishop Gambiza vakaseka ndokuti; “Brilliant, sweet, perfect. I used to teach about this when I
was languishing in poverty, when I was still naïve. I was stagnant for years, till I changed the
beat. You teach that to poor people. Anyway there is no problem in striking a balance in the
same church. So these verses uchaparidza for an hour handiti?”
“ Ndizvozvo daddy.” Doris akadaro ndokunyarara.
Musi weSvondo wakatevera, amai Gambiza vakamira kumberi kwesangano kuti vachiparidza
shoko remusi uyu. Doris akapfugama ndokunamata achikumbira Mweya Mutsvene kuti
umushandise kudzidzisa vanhu musi uyu. Paakasimuka akakumbira kuti vaimbi vaimbe
‘Humble yourself before the Lord, He will lift you up.’
Mushure akavhura diary rake achitarisa mharidzo yake, akaverenga maverse ake pamusoro
perudo rwaMwari akagumirwa, kupererwa chaiko. Akatamba tamba nemicrofone achifunga
zvaaifanira kutaura akanzwa mumusoro muchishaya kana chekutaura, hana yake yakatanga
kurova. Zvino vanhu vange vachiti ziroo muchurch vatarisa amai Mufundisi vakamirira kunzwa
shoko.
Mudzimai waBishop akavhara diary ndokutanga kufamba down the isle ari pakati pevanhu
achiti; “Nhasi ndichaparidza ndichibvunza mibvunzo, amen! Ndiudzeiwo vana vaMwari, what
was the first sin?”
Vanhu vakambozevezerana, vamwe mukoma ndokudaidzira kuti; “Disobedience mamma, in the
garden of Eden.”
Mai Gambiza vakati; “Tese tinobvumirana nazvo here?”
Sangano rese rakati; “hongu amen!”
Amai Gambiza vakadzungudza musoro, ndokuti;
“No, the first sin is the sin of PRIDE. It's the sin which caused the praise and worshipper Lucifer
to be called Satan, it is the sin that caused the Devil to fall from his privileged position as an
angel of light. The devil then used the same sin to tempt Adam and Eve away from their
fellowship with Almighty God.
Satan still tempts us today with the sin of pride.”
Amai vakambonyarara vazhinji vave kunakirwa nemharidzo.
“Vakazara muno musangano vana handiudzwi, vanozvida vanovhaira, varume nevakadzi
vanozvida vanofunga kuti vakakosha uye vakuru kupinda Mwari akavasika. Varimo muno
vasingagone kutaura shoko rekuti ‘sorry’, vanorarama sekuti havachafi, vanorarama sekuti
denga rinotengwa nemari. Ameeen!”
Doris akambofemedzeka nekuti ange ataurisa, apa aifamba famba achikwira nekudzika pakati
pevanhu, akaenderera;
“Pride started the train wreck of sin. Pride is a device that can be so easily woven into anyone’s
life.
Lucifer You said in your heart,
“I WILL ascend to heaven;
I WILL raise my throne above the stars of God;
I WILL sit enthroned on the mount of assembly, on the utmost heights of the sacred mountain.
I WILL ascend above the tops of the clouds;
I WILL make myself like the Most High.” - Isaiah 14:13-14 NIV
Lucifer knew he was beautiful, powerful, and smart. His wonderful qualities caused him to
become proud. He was no longer content with the gifts God had given him. He wanted more. He
wanted a throne that would be higher than all the other angels.
Being in God’s presence was no longer enough for him. Lucifer wanted to be as great as God!
Five times, Lucifer said “I will” - “I will be lifted up; I will be like the Most High God.” Lucifer
wanted to rob God of the praise that ONLY God deserves. There is a three-letter word for this
heart attitude.
Pride is an infectious and dangerous attitude affecting so many people in this day and age.
Where does pride come from? How does this kind of attitude affect you and your walk with
God? How does it affect others around you every day?
The opposite of pride is humility, or being humble. Pride separates us from God, but God draws
near to those who are humble (2 Kings 22:19). To be humble is to have a correct view of
oneself, and a correct view of God. Being humble is NOT thinking we are terrible, lowly
creatures. The Bible says we are wonderfully made because God knit us together (Psalm
139:13-14). The Bible also says that God delights in His people and even sings over us
(Zephaniah 3:17
Pashure pemharidzo amai Gambiza vakadaidza vanhu kumberi; “If you are sitting there and
unonzwa Mweya waMwari uchikuudza kuti mweya wekuzvida, kuzvikudza uri kukudzorera
shure pakurarama zvinoda Mwari, uya tinamate tese. Tikumbire Mwari kuti vatibatsire
pakufamba mumweya nemuchokwadi. Amen.”
Half the church vakasimuka vachienda kumberi, amai vakawedzera vachiti; “Mweya wekuzvida
unovhara kuti uite zvinoda Mwari mukati meupenyu hwako, ngatidzidzei kuzvidukupisa Mwari
vatisvitse pavanoda chaipo chaipo.”
Mushure memunamato wezuva iri, Doris hana yange yorova sezvo ange aparidza zvaasina
kunge abvumirwa. Vakaenda vese kumba nababa Gambiza murunyararo. Bishop pavasina
kutaura chinhu pamusoro pemharidzo iyi, naiyewo Doris akanyarara.

TOO BUSY TO DIE


CHAPTER 18
Stories by: R. L. Nzira
Pakasvitsa Tichaona Lewis Junior one year and 6 months, ambuya vake ndopavakazoshanya
kumba kwemwana wavo. It was after several family meetings, vakazooneswa nevamwe vakuru
vemusha kuti vari kuomesera mwanakomana wavo. Uye vaifanira kuchibvuma mumoyo mavo
kuti Isabella akatoenda zvachose, vachifarira amai Tichaona, Barbra ndiye ange ave muroora
wavo zvachose.
Ambuya vaTichaona vakandotorwa naLewis kumusika wemabhazi akandovasiya kumba
ndokubva adzokera zvake kubasa kwake. Barbra akaswera navo, havana zvizhinji
zvavakataura musi uyu, mai Ticha vaive muroora chaiye aimhanya mhanya kukangira
vamwene. Lewis akafara kuona vese vachitamba nemwana zvakanaka, aizeza ukama
hwemudzimai wake naamai vake nekuti vese vaisazeza kutaura zviri pamwoyo pavo uye vese
sarudzo yemanzwi dzaivanetsa.
Pazuva rechipiri rekushanya kwaambuya vaTicha, Barbra akasiya ambuya nemuzukuru pamba.
Iye ndokuenda mudhorobha kumbonoshopa nekutenderera achiona masahwira aakange
asuwa, akazopedzisira nekuenda kuSalon kwaakandoona Constance uye kugadzirwa musoro
wake nenzara dzake.
Paakadzokera kumba akange omhanya kuti asabudirana mudhorobha nevekubasa.
Akasvikowana ambuya nemuzukuru vakagara mukitchen vachifidhana yoghurt, ambuya
vakangoti; “Ko zvamunoenda zvachosezve nhai mai Ticha, kutoita semaswera kubasa?”
“Ndatika mumbowana nguva nemuzukuru.” Barbra akadaro achiburitsa nyama muFridge ave
kugadzirira kubika zvemanheru. Pasina nguva Lewis akabva apinda, mwana ndokuenda kuna
baba vake, ambuya vakabva vateverawo vondogara muLounge vachisiya amai veimba
vachibika vari vega. Barbra akazotevera netray yaive netea kuti vambonwa vakamirira kuibva
kwesadza.
“Umm tea yenyu zvairi mvurazve nhai mai Ticha, dai waregera ndazvigadzirira.” Barbra
akafinyama akatarisa amai vemurume wake, Lewis akakurumidza kuti; “Oh Barbra, amai
vanonwa mukaka chete, unoisa tea bag ravo in milk, hautomboisa mvura zvachose.”
“Handina kuziva dai mandiudza.” Barbra akadaro achireva vese amai nemwanakomana wavo,
achizarirwa nehasha.
Ambuya Katsande vakabva vati; “Kana ukabvunza unoudzwa.”
Barbra akapa Lewis tea and cookies ndokusimudza tray yake ndokudzokera kukitchen. Ambuya
nababa vaTichaona vaifunga kuti amai vaTichaona vachadzoka netea yagadzirwa sekurairwa
kwavange vaitwa asi hazvina kuitika. Lewis akazotevera ndokuwana Barbra otopedzisa kubika
sadza remanheru, akadzokera kwaive naamai vake ndokundogara pasi akanyarara.
Mushure mekudya murunyararo, vese vakazogara pasi vave kutandara.
Lewis akaendazve mukitchen ndokundozvigadzirira coffee yake ndokugara paComputer yake
achiita basa rake. Ambuya vakabva vati; “Ko kutumidza mwana kuti Tichaonandianikoari
kurehwa kuti achaona?”
“Dai makauya paakazvarwa makatumidza.” Barbra akadaro vakatarisana naLewis. Amai
vakambonyarara ndokutarisa Lewis uyo aidzvuta dzvuta coffee yake.
“Ko nhai muroora, iye murume wako zvaanoramba achingoita basa, otizve nekuzvibikira
unotadza kungomugadzirira coffee yacho?”
Barbra akachizosvotwa nembuya iyi ndokuiti; “Ah pane chakanaka chandamboitawo here
mumba muno, ndomagariro edu kana musipo pano mazuva ese. 2 years dzese musiri pano
tairarama seiko?”
Lewis akatarisa mudzimai wake vakasanganidzana maziso murume akadzungudza
achimutsonya kuti anyarare. Ambuya Katsande vakabva vaseka vachiti; “Hezvo, hautsiurwe
wakaita sei? Mumba menyu munorema muno, wanzwa Luwi? Ndosaka ndange ndisingade
kushanya pano, mukadzi wako uyu anondiremera kubvira pandakasangana naye ....”
“Saka muri kuti ndiri muroyi?” Barbra akadaro akabata muchiuno akagara pasi akatarisa
vamwene vake mumaziso.
Barbra akaenderera; “Ok chitaurai zvese zvamunondifungira nyaya yacho ichipera nhasi, I am
sick and tired of this hatred, munoda kuti ndiite sei?”
“Barbra chienda undorara, I will talk to my mother.” Lewis akadaro achida kuti madzimai ake
aya vachirega kupindurana. Asi Barbra haana kuda kuterera izvi; “haa ngavataure ndiripo, chii
chaunoda kutaura ndisipo? Taurai ka nhai ....”
Lewis akasimuka ndokuenda paive naBarbra, akamubata ruoko achimudhonza kuti asimuke;
“Iwe ndati nyarara kani nhai, go to the bedroom, famba uende.”
“Asi wave kutoda kundirova nhai mukadzi waLuwi?” Ambuya Katsande vakadaro vakagumbata
zvavo vachizembera musofa, vakasenga muzukuru wavo pamakumbo. Barbra akavhizuka
kubatwa kwaange aitwa nemurume wake ndokuswedera kwaive nambuya Katsande.
“Muzive zvamunenge mafambira pano, gore rese kana kuzoona muzukuru. Nhasi mouya maita
zvekubikirwa doro semudzimu kuti muzoona mwana wemwana wenyu? Then mosvika motonga
zvisinei nezvamafambira. Kana zvirizvo zvinoita vanaami vacho then vangu vakafa vari nane
.....”
“Mukadzi wako Luwi mwanangu? Ah ah!” muchembere akashamisika ndokudemba kumwana
wake.
Lewis akaregedzera mbama kuna Barbra, yakamuitisa dzungu akadonhera pamakumbo
ambuya, avo vakamutasunyira kure vachimubvisa kuti arare pasi.
“I warned you. You don’t talk to my mother like that! Now get out!” Lewis akazhamba akakotama
pamudzimai wake.
Barbra akambotora nguva akavhara maziso, achinzwa sekuti dama ranamirana nemazino.
Paakazovhura maziso achiona Lewis akakotama mberi kwake, Barbra akamupfura negumbo
pamabvi ake, murume akadzadzarika zvekupotsa adonhawo.
Barbra akagomera akabata kumeso achiti; “Uri kundirovera chii? Wandirovera chii Lewis?”
Barbra akadaro ndokuridza tsamwa achigara pasi.
Lewis akadzoka paive naBarbra ndokumubata ruoko achimudhonza kuti asimuke. Maziso ange
atsvuka zvino, miromo ichihuta nehasha.
“Wandidzorereka? Right? Ndange ndichida kukurova, manje ngatichirwa, unogona fight handiti?
Mira apa tirovane.....” Lewis akadaro ave kunaisa zvibhakera zvakasimba kumudzimai wake.
Ambuya vakasimuka vachisiya mwana pasofa ndokuenda mumba mavo mekurara. Amai
Tichaona vakatanga vachiridza mhere asi akazonyarara aona kuti hapana zvazvaibatsira.
Pakazochema mwana wavo, Lewis ndopaakaregera ndokubuda achienda kubedroom kwavo.
Barbra akasara akarara pasi achigomera muviri wese uchirwadza nezvibhakera nembama
dzaakange akwapaidzwa nadzo.
Akaita nguva aripo achiyerera misodzi yehasha neshungu, haana kumbobvira afungira kuti
angazvambaradzwe zvakadai nemurume. Kwaakange abva baba vacho vaimhanya kana
avarova, mhuri yese yainyarara kana ataura, ko shura iri raive rei zvakare?
Inga ambuya Mangena vakange vati vamwene ava havana nyaya hombe wani, asi vakange
vakonzeresa hondo mumba. Zvavakange vaita izvi aisazovaregerera, kuregerera kwaive
kwaJesu pachipiyaniso chake. Iye Barbra aisave nei nechipiyaniso, kana nezvakaitwapo kana
nezvachaireva. Kana pane chaaizoda pachipiyaniso raive danda racho rakachigadzirisa
arishandise kuzvambaradza amai vaLewis ava kuti vadzidze kusiyana neimba yake.
Lewis akadzoka ndokutora mwana wake ondomuradzika achisiya amai vacho vachishinyira
vakarara pasi. Izvi zvakawedzera hasha dzaBarbra asi akange otya kutaura chinhu, Lewis
akange anyatsomuranga nyama dzese dzikadavira. Barbra akazoteverawo kundorara patove
pakati peusiku, akangosvika achirara kumucheto kwemubhedha akafuratira murume kunge
achadonha.
Kuchiedza Lewis akati; “Ndoda kunzwa uchikumbira ruregerero kuna amai vangu.”
“Ah Lewis , hona kuzvimba kwandakaita, uno .....”
“Haunzwe handiti? Hautaure naamai vangu like you did last night, and we don’t fight, kana
ndikakurova haundidzorere. Never, never, do that in your life, ndinokurova ndini if need be.
Sometimes unombofunga nebvunzi rako riri artificial iro iwewe handiti? Unopota uchimbofunga
kuti uri murumeka iwe.”
Barbra akaona serious yaive nemurume akatya kuramba achitaura. Akamuka ndokuenda
ondogogodzera ambuya Katsande akamira pamusuo ndokuti; “Sorii ambuya vaTicha
nezvakataurika nezuro.” Haana kumirira kupindura kwavo, akavhara musuo ndokuvasiya.
Lewis akazobuda oenda kubasa, Barbra ndokumbodzokera ondorara zvakare. Akazomuka
mwana ave kuchema nzara.
Masikati ezuva iri Barbra akaenda kuSalon ondoona Constance, akamutaurira zvakange
zvaitika kumba kwake.
“Iwe ndakakuudza kuti vamwene vako vanoda kunyararirwa chiona manje. Manje zvawatotanga
kurohwa nemurume ah hazvichatoperi.” Constance akadaro achibvisa kadhuku kange
kakasungwa muhuro nasahwira wake kuvhara kuzvimba nemavanga aive muhuro
nemuchipfuva.
“Ah you mean ndichagara nyaya dzichigadziriswa seizvi? Over my dead body. Nxaa, isiriwo
chembere inoroya yakauya mumba mangu.” Barbra akadaro.
“Unofanira kutovafarira, and I am telling you shamwari, waifanira kupangwarira ipapa. Now dai
watondoreva kumufundisi wenyu atsiurwa murume wako. Ukasadaro uchazondiudza iwe kuti
waroverwa kuti hauna kurasa marara mumba.” Constance akaseka zvake, Barbra achifinyama
nekurwadziwa nemaronda ake.
“Haiwa, mira uone zvandichavaita amai ivavo, havatsike gumbo ravo mumba mangu futi, tiri
pabarika here.” Barbra akapopota.
“Usavatsvagira boys vagorohwa zvauriwe.” Constance akadaro achiseka.
Barbra akanyemwerera achiti; “You gave me an idea,” vakaparadzana vachiseka vese. Barbra
akananga kumba kwake ndokundozvinyararira achibata bata kuita basa rake mumba make.
Kunyange pakadzoka Lewis kumba akangotaura naamai vake, avo vakazooneka mangwana
acho vodzokera kwavo. Barbra akamboita mazuva akatsamwira murume, asi nekufamba
kwenguva vange vosukana maronda vachiseka. Kwaive kuseka here kana kuti muti wakatemwa
haukanganwe, demo ndorinokanganwa. *****
Mai Gambiza vakange vachifara neshoko ravaidzidzisa musangano mavo. Vakange vapedza
zvidzidzo zvavo uye mweya wavo waidairira kuzvido zveMweya Mutsvene. Nerimwe zuva uri
Mugovera vakandoona mudzidzisi wavo amai Nyandoro kumba kwavo. Nyaya dzavo dzaive
pazvidzidzo zvebasa raMwari, vakange vasina zvimwe zvavaitaudzana.
“We give glory to God, amai Gambiza pamusoro pekuzvipira kwako. But you need to progress.
Hamungaite sangano rine two programs, iwe uchiziva kuti some things zvamuchiri kuita
contradict the word of God. That only zvinoratidza kuti zvinhu hazvisati zvamira zvakanaka.”
Amai Nyandoro vakadaro.
“I have been praying kuti murume wangu ashandurwe mafungiro asi ah, hapana chaitika so far,
I know he is very proud and arrogant kana paine chaanoda kuita haumushandure pfungwa, only
God can change him.”
“This is warfare mwanangu. You now need spiritual eyes and the spirit of discernment, haisati
yanyatsove mauri. Then uchazoziva vanhu vari pachokwadi vaunofanira kushanda navo. Tichiri
ipapo unofanira zvakare kuziva chokwadi chiri kuitika chakakutenderedza. Some things will be
painful and shocking, asi ndozvazviri. God is now qualifying your calling, basa raMwari harina
comfort zone. Whatever happens, ziva kuti Mwari vanewe, vanokuda, vari kukurongera
zvakanaka.” Amai Nyandoro vakadaro. Mai Gambiza vakatenda ndokusimuka voenda,
pavakabuda pamusuo voenda kumota yavo, vakabva vasanganidzana naPastor David
Nyandoro vana Isabella vachipinda nemota yavo. Doris akangoramba akatarisa achishamisika
kuti Isabella ave kushanda nekumba kwevanhu ava nepaweekend pese here.
Mai Nyandoro vakabva vati; “Pastor David is back home for good now. We are praying for his
marriage, there are things that need to be straightened up, haazive kuti odii. Ndoimwe meeting
yandinayo masikati ano, dai Mwari andibatsira.” Mai Gambiza vakashaya zvekudavira nekuti
havana kunzwisisa half the things.
Zvisinei vakazoti; “Ehoi amai, ndave kuenda.” Vakasimudzirana maoko naIsabella ndokupinda
mumota mavo voenda.
Doris akatanga kufunga nezvakange zvataurwa namai Nyandoro pamusoro peEuthenia
Ministries. Nyangwe zvake kuvhiringika nemashoko eMweya aya kwange kwave nane pane
mazuva ekutanga, izvi zvakamutyisa zvakare. Aifunga kuti zvimwe zvaiitwa naBishop Gambiza
zvaisaenderana neshoko raMwari zvaingozopera zvega. Asi apa amai Nyandoro vakange
vataura sekuti pane zvaaifanira kuita, asi zvekuita zvacho aisaziva kuti zvii.
Akafunga kuti aida munhu wekumbotaura naye, akabva ananga kumba kwaHazel kuti
ambomuudzawo vachibatsirana kufunga kuti votaurira Isaac sei nezvaifanira kuitwa muchurch.
Ko handiti sister Hazel vaive PA waBishop, vaimunzwisisawo nekumuziva kupinda vamwe
vemusangano. Vaifanira kuzobatsira paiitika shanduko dzese, nekutsigira amai Bishop kuti
basa raMwari rienderere mberi.
Amai Gambiza vakawana Hazel akazorora zvake pamba pake, vakagara muLounge make
nokunwa drink vachitaurirana.
“Sister Hazel, I need your help, handiti munoziva ndakatanga Bible Studies in church? But there
are things in our church that need to be phased out, some ungodly things.” Mai Gambiza
vakadaro.
Hazel akamboramba akanyarara achinge aifunga ndokuzoti; “Do you mean Bishop, your
husband has been running this church in an ungodly manner?”
Amai Gambiza vakafemedzeka vachifunga mashoko ekutaura kugadzirisa statement yange
yadzokororwa nasahwira wavo, vakabva vati; “Don’t misquote me please.”
Hazel akabata bata fone yake ndokuitsveta pasofa paange akagara.
“Mai Gambiza I am not misquoting you, you just said there are ungodly things that are done
muchurch medu.” Hazel akadaro.
“Tinofanira kuve nekudzidzisa shoko kwakanyanya, zvimwe zvinonzi Prosperity zvinoita kuti
vanhu vararame in sin asi nekuti vanounza mari muchurch havatsiurwe. Ndozvandiri kutaura
zvakaita saizvozvo.” Mai Gambiza vakatsanangura.
“Ko ivo Bishop vakati chii?” Hazel akabvunza.
“That’s why I am here. You know my husband sister Hazel. Haachinje zvinhu zvake
zvekumhanya, so ndange ndichidawo your support as I change the doctrine slowly. Akazvinzwa
from someone asiri inini he will respect it. Kana ndikataura inini ah haambotereri.
Ndichataurawo nanababa Maruta, then tikaita tese, our church will be a dwelling place for the
Holy Spirit. Kana the signs and wonders zvinotanga kuitika. Iyezvino we are limiting and
grieveing the Spirit nemamwe maitiro nemateachings, especially daddy vane some favourite
people who are partners of the church asi vanhu ivavo vanowana mari through questionable
means. And I am sure Bishop knows, I just wonder why he turns a blind eye to such. Inini I
won’t mind kana vanhu ivavo vakabuda muchurch.” Mai Gambiza vakadaro.
Hazel akabva ati; “Ok ok, saka what exactly do you want from me? Munoda support yangu pane
zvipi?”
Mai Gambiza vakambofunga ndokuzoti; “One step at a time, handisati ndaziva kuti ndofanira
kutanga zvipi chaizvo. Asi ndinenge ndichikuudzai. Problem is ndakapiwa prophecy naMentor
wangu Mrs Nyandoro, vakati ndini ndinofanira kuve mutungamiri weEuthenia Ministries
sezvinoda Mwari, saka ndinofanira kuita zvese as the Spirit leads.”
Hazel akavhunduka zvekuti dai mai Gambiza vakange vasina kuvhiringwa nezvavaifungawo
vega vangadai vakazviona.
“Imimi mamma Gambiza kuita Bishop?” Hazel akadaro neinzwi raihuta.
Mai Gambiza vakagutsurira ndokuti; “Imagine, switching positions naIsaac, he must support me
ndichiita basa musangano nenzira inoda Mwari. That’s why I took the Bible lessons.”
“Yoweeee inga makwikwi!” Hazel akadaro ndokumbotarisa zvakare fone yake, akazoti; “Ok I will
support you, mamma. Tozotaura zvakare mumwe musi. Mawana ndave kuda kubuda.”
Amai Gambiza vakasimuka ndokubuda kuti vachienda kumba kwavo. Vakange vanzwa
kurerukirwa zvishoma nekuti vakange vawana wekutaura naye. Asi kuti aizovabatsira sei
havana kuzviona.
Pavakangobuda pagedhe paHazel, uyo akange akavatarisa nepahwindo akabva aterera audio
recording yaange aita pacellphone yake pane zvese zvavange vataurirana. Akaenda kuContact
list yake neruoko rwaidedera ndokufonera Bishop Isaac Gambiza.
“Isaac, do you remember audio yandakambokupa almost 2 years ago mukadzi wako achitukirira
madzimai muchurch achiti murume wake haana small house and sister Hazzie vanotozviziva?”
Hazel akapofoka kuseka ega.
Isaac akange akatozorora pamba pake achifunga zvekundoparidza pazuva raitevera
akamirirawo kudzoka kwemudzimai wake pamba akati; “Of course, I remember it very well, I
think I still have it in my tablet. Why?”
“Manje yanhasi it’s the opposite of what she said that day. Ramba wakapusa uchirara nenyoka
mugumbeze. Uya izvozvi unzwe zvaari kukurongera.” Hazel akadaro.
“Watii chii? What do you mean?” Gambiza akada kunzwisisa.
“Ndati Doris is planning a coup d'état. Hee mukadzi wangu is quiet, she is too submissive to do
anything zvaunomufungira, hee haana crazy ideas. Huya pano unzwe. Sorry shame.”
Nyange zvavo Bishop Gambiza vasina kunyatsonzwisisa kuti vamugerofurendi vavo vaitaura
kuti chii, vakamhanyirako kuti vandonzwa nyaya yacho yese.

TOO BUSY TO DIE


CHAPTER 19
Stories by: Rutendo L. Nzira
Amai Nyandoro vakagara pasi kuti vataure naDavid naIsabella, vakange vavadaidza nekuti tsika
nditsike yacho yakange yanyanya, apa pasina aiuya kuzotaura kuti chii chiri kuitika.
“Ndonzwa nemakuhwa here kuti mwana waReverend naPA wavo havasiyane nhai vanangu? Pastor
David, how do you lead other people kana uchiita zvakadaro kwandiri?”Mai Nyandoro vakabvunza,
Isabella akaramba akanyarara achida kuti amai nemwana vapedzerane.
David akati kuna amai vake; “Yes mamma, I am sorry but tange tichiri kugadzirira kuuya kwamuri,
anyway, we are here now. Mamma, I am in love with Isabella, I love her and we want to get married.
But she has issues..... Isabella, tell my mother your concerns.”
Isabella akamboita nguva akanyarara ndokuzoti; “mamma you talked about restoration so ndaifunga
kuti ndichadzokera kuve Mrs Katsande.”
“Is that what you want? After all that happened?” David akadaro. Amai Nyandoro vakatarisa mwana
wavo ndokuti; “Regera ataure kani, or ndomboti utisiye tega? And that is a jealousy statement, ko ati
ari kudzokera kuve amai Katsande here.”
“It’s fine, ndanyarara now.” David akadaro.
Isabella akabva ati; “Honestly mamma, I was so full of fear of the unknown. The word says God
hates divorce, and anyone who marries after divorce commits adultery, zvese izvozvo confuse me.”
Isabella akadaro ndokumbonyarara, vese vakaratidza kuti pane zvavaifungisisa pamusoro penyaya
iyi.
David akati kuna Isabella; “Who are you married to? Une murume upiko iwe?”
Isabella akadzungudza musoro.
Mai Nyandoro vakatarisa mwana wavo zvakare, ndokuzoti; “I have been praying for you, since the
day David hinted that he is interested in you. This issue needs Divine wisdom. I have always trusted
you David, but apa you need help nekuti you are emotionally attached.”
Isabella akagutsurira, David ndokuramba akanyarara achidhonza zvigunwe zvake akatsikitsira.
“Handiti makataurirana zvese zvakaitika zvakakonzera divorce yaIsabella?” vese vakagutsurira.
“Your ex-husband Isabella, is living in adultery; he committed adultery before you could find help to
restore your marriage. There was also serious abuse which made you lose your baby, now he is
having another family. Your life will be restored in it’s fullness, but that does not mean you have to
go back to the same people.”
Isabella akagutsurira akaterera. Amai Nyandoro vakatizve; “Dai wakasiya murume wako because he
is sick, or he is in poverty, all that which contradicts the vows of marriage then Mwari vaikutonga.
Mwari vaisakomborera imwe imba yako zvachose. Kana neni I was not going to accept you as
muroora.” Amai Nyandoro vakambonyarara, David achibva ati; “Yes mamma, that’s very true, I have
been telling her the same things, and also dai takange takasangana ari kumba kwemurume wake,
even vane maproblems then onakidzwa neni obva asiya murume....” vese Isabella namai Nyandoro
vakaseka.
Amai ndokumudimbudzira vachiti; “Like I said David you cannot say anything about this, anything
the Spirit may tell you haunganzwe nekuti you have already decided.”
Vakatarisa Isabella again ndokuti; “You are free to get married again Isabella. Your divorce was
finalised, legally. You are a single woman.” Amai Nyandoro vakatsanangura, “It won’t be fair to say
mirira kufa kwaLewis kuti ugove married again, waiting for someone’s husband to die, waiting for
murume anotove nemhuri yake. The grace and forgiveness of the Lord will cover you on that one.”
Amai Nyandoro vakatsanangurira vana vavo.
“In 1 Corinthians 7, Paul says ‘because of immorality, every man should have his own wife, and
every woman should have her own husband’. In my opinion, not allowing young women who were
once married to marry again, is to promote immorality. No one can claim kuti uri mukadzi wangu so I
don’t see any reason why you cannot get married. Some verses need to be taken in their context,
consider the background, why and how they were said. I am not changing the word of God in
anyway, that’s why I am saying, if we are all wrong here, may the grace of God cover us.”
Vese David naIsabella vakanyemwerera vakatarisana, David akabva ati; “So you can now accept
my engagement ring. Mamma allow me kundoroora as soon as possible tobva tachata.”
Mai Nyandoro vakasimuka ndokubata maoko aIsabella hugging her and blessing her; “Welcome to
our family mwanangu, may God bless your marriage.”*****
Baba Gambiza vakasvika pamba pavo vachibva kumba kwaHazel kwavange vanzwa audio
recording yazvese zvakange zvataurwa nemukadzi wavo. Musoro wavo waitenderera nemibvunzo
yakawanda, vaisave nehasha aiwa, asi kusabvuma uye kuvhiringika kuti chii chaiitika muupenyu
hwavo nemudzimai wavo. Vaida kunzwisisa kuti Isabella aida chii chaizvo muchurch. Pakuona
kwavo, she was now quieter and never argued with him on anything, aingotaura kana paine zvaaida
kudzidzisa muchurch chete. Saka aive akanyarara achironga zvakadaro here?
Isaac Gambiza akanzwa inzwi raHazel achimuti; “Uchazodzoka kwandiri watorerwa zvese wasara
usisina chinhu. Now I am warning you, but you trust your wife too much. Hautombooni even lucky
raunaro kuti even ukarongerwa zvakaipa zvinongobuda zvega, hona angohumana ega pasina
amubvunza.” Hazel akasvotesa.
Akasvika pamba pake ndokumbogara mumota achifunga kuti otaura nemudzimai wake sei.
Akazobuda pakasvika mwana wavo pamota paaive. Akambotamba nemwana ari panze kwekanguva
ndokuzopinda mumba. Akawana amai vachirongedza mbatya dzavo vese dzaive muWardrobe
mavo, akarara pamubhedha akatarisa mudzimai wake.
Doris akabva ati; “ko muoneka hembe dzese dzandiri kusiya kunze idzi, kana paine yamuchiri kuda,
ndoda kuti dzamusingade ndigoendesa kuOld People’s Home.”
“Ok ndiri kudziona.” Isaac akadaro. Vakamboita nguva vakanyarara ndokuzoti; “Ko kuSeminar kuya
kwawakaenda, is there something chawakandotaurirwa or chawakadzidza chausina kundiudza? I
want to know everything, now.”
Doris akarohwa nehana, haana kunge akatarisira mubvunzo uyu zvachose. Nyangwe paaifunga kuti
akabvunzwa aizotaura kuti chii, aishaya mashoko akakodzera ekuudza baba veimba yake.
Zvisinei akati; “It was a Pastors’ wife conference daddy, generally teaching us how to support our
husbands in the work of the Ministry. Just the way I am doing .....”
“Taking over my Ministry, making a new doctrine yekundibvisa in my own Ministry?” Isaac akadaro
achimuka achigara pasi. Doris ange ohuta ave kutadza kubata mbatya dzaairongedza. Akagarawo
pasi ave kuzeza kuonekwa kutya kwake.
“No no daddy, hakuna zvakadaro. Do you honestly think ndingaite imwe Ministry muripo here? I am
only a helper.”
“Saka zvawange uchitaura naHazel ndokuti chii?” Doris akaita seachadonhera pasi. Akabata
kumeso kwake nekutya nenyadzi dzekubatwa pakunyepa kwaange aita.
Akashaya kuti otsanangura achiti chii, naiyewo akange asati ave kunzwisisa prophecy yake kuti
yaizofamba sei, saka zvekutsanangura chaizvo akazvishaya. Isaac akaramba akatarisa mukadzi
wake uyo aidemba kuti dai pasi pavhurika pamumedza.
“Hapana kwandiri kuenda and hatisi kuzorara nhasi till wataura. Meaning varume vemuchurch vaiti
uri kunyanya kuzvimisa misa like a bitch on heat were right handiti? Turning my own congregation
against me, Doris?!”
Mai Gambiza vakaruma ruma miromo rurimi ruchitadza kubudisa mashoko, akazokwanisa kuti; “No
no daddy hakuna zvakadaro. Kana iye Hazel haana kunzwisisa zvandange ndichitaura. My God, oh
my God ......” Isabella akademba achinzwa pasi sepanopisa.
Isaac akaburitsa fone yake ndokuridza audio iya vese vakaterera, izvi zvakazoitawo kuti Doris
atsamwire Hazel.
“Asi iye Hazel aitirei zvakadai, I just shared nekuti ndinoziva kuti it’s something chandinoita nemi
nhai baba vaTafadzwa. Why did she go to the extent of recording me, honestly?” Doris akadaro in
obvious shock and regret.
“Hazel mwana wesangano rangu, akauya ndikamubatsira zvaimunetsa, business rake boomed
when she joined Euthenia Ministries. Saka as a loyal member she did the most honourable thing to
her Bishop.” Isaac akadaro neshungu.
Akaenderera achitsanangura; “Hazel aita zvakatadzikwa nemukadzi wandakaroora ndikachata naye.
Mukadzi anobata zvandinopfeka everyday, mukadzi anobika chandinodya everyday, mukadzi
anorara on my side everyday, failed to tell me the truth. Saka anondida apa ndiani? Wandingavimbe
naye apa ndiani?” Isaac akadaro achiratidzawo kurwadziwa
Amai Gambiza vakati; “Isaac please, regera nditsanangure, it’s not what you think.” Doris akadaro
zvekushingirira.
“A few minutes ago I gave you a chance to tell me everything ukaramba. Now wave kuda kutaura
chii? Nhema dzawazofunga? Dai Hazel asina kundiudza waitsanangura chii? Handichada zvangu
kunzwa anything. Continue with your plans nevauri kuronga navo ivavo.”
Doris akapfugama pasi akabata mabvi aBishop Gambiza; “Aiwa baba nditererei please, handei kuna
Prophetess Nyandoro tinotaurirwa tese about our Ministry. Handei tese now to that Conference
Center, hapana secrets, Isaac please.”
Isaac akasimuka ndokuti; “no need for all that, dai waida kuti ndizive ungadai wakandiudza ndisati
ndabvunza.” Akatora jacket rake ndokupfeka, akatora makey emota yemudzimai wake ndokuti;
“Usandibikira zvako nhasi or mangwana, and prepare the spare room for me. I never thought you
would betray me like this.”
“No Isaac please no, listen to me pleaseeee.” Amai vakazosara vochema vega baba vatove kubuda
muyard. Doris akazofonera Hazel asi Hazel haana kudavira fone yake.
Akazorara mushure mekumbotaura namai Nyandoro. Asi zvavaitaura hazvina kumubatsira.
Vakange vakanyatsodzikama zvavo vachitaura kuti zvichapfuura, God is in control. Akatsveta fone
pasi vari pakati pekutaura ave kuvaitira hasha.
Mangwana acho uri musi weSvondo, Bishop Gambiza vakapinda mumba mavo na6am ndokuchinja
zvekupfeka kuti vaende kuService yemusi uyu. Amai Gambiza vakaedza kutaura nemurume asi
haana kuterera.
Isaac akaramba akanyarara ndokuzoti; “usafonerawoka Hazel or send her messages, hapana
zvaakanyepa, chindiregawoka ndisare nesangano rangu nevanondida vashoma ivavo. And tell that
prophet of doom woman, whoever she calls herself, kuti aregere zvekundifonera, hameno zvauri
kutaura naye zvauri kuda kuti akubatsire kundinyepera. Don’t push me too far, I am still thinking
about what to do with you. I have a name to protect and a son to think about.” Isaac akabuda
ndokuenda kukitchen, Doris akasara akagara pamubhedha ave kuita dzungu of shock and disbelief.
Akafunga kuti otaura nani kuti chii akashaya, munamato ndowaakaedza kuita asi akazviona
achingobvunza Mwari kuti “Chiiko ichi, ndohuBishop hwacho here? Ndo anointing yacho here?
Please Lord, give me my simple life back.”
Isaac akadzoka mubedroom muya ndokutora diary neBible rake achiti; “Handichada kukuona
anywhere near my church or my people. Stay away from me. Waiita zvese zvawaiita in my church
uchitererwa nekuti you were known to be Mrs Isaac Gambiza. I am considering taking that tittle away
from you, I don’t need you in my life Doris. I can’t even look at you right now. Just make things
easier by staying away from me and my businesses.”
Doris akabata musoro achipererwa, Isaac akabuda ndokuenda kuchurch, mukadzi akazvifukidza
negumbeze hoping kuti paaizobudamo aizoona kuti ange achirota, asi upenyu hwakaramba kudaro.
Akazvifukidza kusvika abudamo achidikitira asi upenyu hwake hwange hwave shandukuminya nguo
dzeuswa.
Akafonera amai Nyandoro, havana kudavira, akafonera Isabella haanawo kudavira fone yake,
dzaive nguva dzeService, vanhu vachishumira Musiki hapana aibata cellphone. Zvakamupa hasha
zvakare.
Akatanga kufunga vanhu vese vemuEuthenia Ministries akatarisa nguva akaona kuti yaive nguva
yePraise and Worship, vanhu vachitamba vachinakidzwa vachifara zvavo. Sister Hazel
vachitungamira nziyo, maybe vaitove kumberi vese nemurume wake iye ari mugudza akapfeka
mbatya dzekurara nadzo kudai, asingazive kuti hwumamma Gambiza hwaizopera rini. Kana
kuchema akatadza, misodzi yakatadza kubuda kuti imubatsire kutarisana nezvaive muupenyu
hwake. Akatora Bible rake ndokungovhura, akasangana naPsalm 27,
The LORD is my light and my salvation;
I will fear no one.
The LORD protects me from all danger;
I will never be afraid.
2 When evil people attack me and try to kill me,
they stumble and fall.
3 Even if a whole army surrounds me,
I will not be afraid;
even if enemies attack me,
I will still trust God.
11Teach me, LORD, what you want me to do,
and lead me along a safe path,
because I have many enemies.
12 Don't abandon me to my enemies,
who attack me with lies and threats.
13 I know that I will live to see
the LORD's goodness in this present life.
14 Trust in the LORD.
Have faith, do not despair.
Trust in the LORD.
Mushure mekuverenga ndopaakazokwanisa kutura befu, nekupfugama achinamata chaizvo
zvekuerera dikita nekupera simba remuviri wake achitaura nendimi. Kana paakazoti amen
akabvuma mashoko amai Nyandoro ekuti; “God is in control” apa Mweya Mutsvene wange
wazviratidza ukamuendesa mumunamato waaiziva kuti ega haana kumboita, uye haazvikwanisi ari
ega. Apa akanzwa kurerukirwa chaizvo.
Masikati emusi uyu akazoona maApp messages aive paGroup reEuthenia Ministries, amai Maruta
vakange vatumira message yaiti amai Bishop vaisanzwa zvakanaka ndosaka vakange vatadza
kuuya kuService musi uyu. Message iyi yakateverwa nevakawanda vemuchurch vaimushuvira
kupora nekukurumidza.
Akaonawo Group rePrayer Band vaakange adzidzisa kunamata Mwari mupenyu vachipanana
maverse, prayer points uye nguva dzekunamata vachichinjana kusvika kwaedza.
Mweya wake wakazorora akanzwisisa kuti zvinorevei kuti God is in control. Paaimbonzwa zeve zeve
rekuti Isaac haafi akakuregerera, inzwi hombe raiti “God is in control!” Paainzwa kusekwa
nemaungira aimbouya munzeve make achiti, ‘that prophecy was all a fantasy and a lie’, mweya
wake wairamba uchiti; “God is in control!!”

TOO BUSY TO DIE


CHAPTER 20
Stories by: R. L. Nzira
Pavhiki nhatu dzese dzakatevera Baba Gambiza vaisataura nemudzimai wavo, kudya kana kurara
pamba pavo. Doris akavatarisa akanyarara, kana musi wavairara pamba pavo vairara muGuest
room.
Pamwedzi uyu ndopakapupurawo Doris kana iye ega kuti akagona kunamata, kutsanya
nekuverenga Bible achirinzwisisa chaizvo. Akanzwa chaizvo munyama nemweya wake kuti kuna
Mwari kudenga uye paChipiyaniso zvakaitikapo hazvisi zvekutamba.
Izvi zvakamupa rugare nekuti akaona kuti ange ave kukwanisa kuzviwanira mhinduro nekudzikama
kwemweya wake asina kubvunza mai Nyandoro. Kutya nekuvhunduka uye kumhanyira pafone kana
zvamuomera kwakapera, ange oziva kushandisa simba raakapiwa paChipiyaniso.
Kana iye Isaac zvaimushamisa nekuti pese paaisvika pamba aiwana amai vaine rugare rwavo.
Aiterera vachitaura pafone nevana vesangano reEuthenia vachinyaradza vamwe nekuvakurudzira
mune zvainetsa muupenyu hwavo asi hwavo hupenyu huri pamharadzano dzenzira. Akazvionawo
kuti vanhu vemusangano rake vaida nekukudza Doris zvekuti kuvataurira nezvekuparadzana kwavo
kwaizopatsanura Euthenia Ministries vamwe vakamutevera akatondotanga rimwe sangano nyore
nyore iye akanyarara zvake. Akaona kuti kubvira kubva kwaange aita kuConference, confidence
dzekumira kumberi kwevanhu dzange dzavepo. Paaidaidzwa naPastor Dube vachingoti amai huyai
muzokwazisa sangano, aisiya vanhu vachiri kuda kumuterera. Zvese izvi akazvitarisa akaona kuti
zvaigoneka kuti Doris atungamire sangano, asi Isaac aisada doctrine yaDoris namai Nyandoro.
Saka zvaaisaidzirwa naHazel kuti akurumidze kusudurutsa mai Tafadzwa muupenyu hwake
zvakamunetsa chaizvo kuita, akafunga kuzvipa nguva kuti aongorore.
Hasha dzake pana Doris kwaive kusada munhu anomuchinjisa zvekuita, kana anomuudza zvekuita
musangano rake. Euthenia raive business rake raimupa mari nembiri, akange ave nezita
raizivikanwa chero kuOffice kwaPresident, aidya nemaMinister nekuda kwezita raakange
azviumbira. Uye aive nemari yakawanda yechimbadzo yaaitora kuvanhu muchurch vasingazive,
vasinganzwisisi kuti yaienda kupi. Zvese izvi aizvida zvakadaro, aisada kutorerwa upenyu hwake
hwaange azviumbira.
Izvi Hazel aiziva nezvazvo, asi Doris akange asingazive. Kana vaizoramba vachirwa seizvi, Doris
aizoziva. Nekumuziva kwaaiita kuda kurarama zvakarurama aigona kuramba madhiri akadai aya.
Isaac akange asingade kuti mudzimai wake atadze kumuremekedza kana aizomuona setsotsi
rinorarama neukopokopo neukoronyera rakahwanda kuseri kweBible.
Kana Doris aizoudza zvese izvi kuvanhu vese musangano, zvaive pachena kuti vese vaizotsigira
Doris vopandukira iye Gambiza. Izvi zvaimupa hasha dzekuda kurovera Doris kumadziro. Saka
Doris wacho ndiye aifanira kubuda muEuthenia akanyarara asati ataurisa. Zvese izvi zvakadaro,
aiziva zvakare Doris ari mukadzi aimuda uye achimuterera, kubva vakaroorana akange asina
kumboitiswa nharo pane chipi zvacho chavaiita mumba mavo.
Uye Doris wacho akange azviramba kuti aida kuparadza business rake, he believed her, asi ange
asina enough information yekutsanangura audio recording yakabva nekuna Hazel. Chokwadi chaive
chekuti whatever ideas aive naDoris and her prophetess about Euthenia, they were not welcome.
Aisada kuzvinzwa, Euthenia yange yakanaka yakadaro, aiida yakadaro. Kana Doris aizoda
kuichinja, she was risking their marriage. Izvi zvaimupa hasha zvakare, Doris aifanira kugara
sezvaaive paakamuroora, she was the face of Euthenia.
Chimwe chakamunetsa, kuti arambe achiita mutsimba nemudzimai wake, amai Tafadzwa akaenda
kumusha kwake kwaMutare kuvabereki vake, akandogarako svondo rese. Akafunga kuti
andoreverwa saka akange akagadzirira mhinduro kana vakuru vese vaizomubvunza kuti ari
kunetsana chii nemudzimai wake.
Asi paSvondo rese hapana akataura izvozvo, hama dzake vaimufonera vachimutenda
nekurumbidza mudzimai anoda Mwari, anoyananisa mhuri yese aakange aunza mumusha mavo.
Vana vatete nanaambuya vakange vaine madaka avo emakore, vachivengana nekupumhana uroyi
vakasara vodyidzana nekutandara vese zvakare mushure mekushanyirwa naDoris. Kana amai vake,
ambuya Gambiza vakaseka vachiti makumbo avo airwadza akange apora nekufara kuve nemuroora
wavo amai vaTafadzwa.
Chakazonyanya kumunetsa ndibabamunini vake vaishanda kukanzuru yekwaMutare. Vakamuti
kana aida stand yekuvaka imwe church yeEuthenia Ministries vakange vamuwanira.
Doris akange ashanyira vakawanda achindodzidzisa nezveukuru hwaMwari. Doris akange ashanyira
kana nevakuru vemuguta chaivo vakapa upenyu hwavo kuna Jesu, saka vaibvunza kuti
zvoenderera kumberi sei. Kwese Doris aingotaura kuti ndiri amai Gambiza, mudzimai waBishop and
Founder of Euthenia Ministries. Mibvunzo yekutangwa kwesangano idzva yaifanira kuendeswa kuna
Bishop pachavo, iye aishandira pasi pavo.
Vanhu vaiungana pamba pevabereki vake for prayers and Bible studies vakange vati
ngazvienderere, Bishop weEuthenia aifanira kuvatumira Pastor kwaMutare. Zvese izvi akatadza
kubvunza Doris, vakatadza kutaurirana pamusoro pazvo, uye zvaiita kuti zvaitaurwa naHazel
pamusoro paDoris zvimuvhiringidze.
Nemumwe musi weChishanu mwedzi wakatevera, amai Gambiza vakaenda kuConference Center
kundoona Isabella. Vakataura chino neicho kunyanya muchato waIsabella naDavid, uye akaonawo
amai Nyandoro. Amai Nyandoro vakafara kuona kuti mumwe wavo akange akura pamweya.
Vaizviziva kuti kumba kwake kwange kusina kumira zvakanaka, satani akange akamisa musasa
wesimbi chaiwo pakati paIsaac naDoris Gambiza. Asi vakaona amai vechidiki ava vachifara. Zvese
zvekudemba nekuchema zvakange zvapfuura, kana mhinduro dzake pane zvainetsa ange otora
muBook reupenyu.
Mai Nyandoro vakarumbidza Mwari pamusoro peupenyu hwaMufundisi Doris Gambiza ava, uye
kutaurira vamwe vavo kuti minamato iende mberi kusvika zvaida Mwari zvabuda muupenyu
hwemhuri yekwaGambiza.
Amai Gambiza vakazobva apa nguva dzekuchaisa dzatokwana, vakapfuura nepaComputer Shop
yaLewis vakaona pakavhurwa ndokupindamo.
“Ah mamma, makadii? Mandifungawo nhasi.” Lewis akadaro achifara chaizvo kuona amai Bishop.
Vakapinda muOffice maLewis ndokugara vachiita nyaya.
Lewis akabva ati; “Ndaifunga mashoko enyu mazuva ese apfuura aya mamma. Zvamaitaura about
Isabella mazuva atakaparadzana aye. Ndave kuzviona now kuti you were right. Ndakamhanyisa.”
Amai Gambiza vakaramba vakamutarisa kunge vaiverenga pfungwa dzake ndokuti; “Aiwa
babamunini, is there trouble in paradise?”
“Amai vangu vaive kuno last month, haaa ndakaona rimwe side raBarbra randisingazive, zvekuti
ndakatozomurova. I also realised kuti I don’t even love her, she was at the right place at the wrong
time ndikangotoranawo naye. My wife is Isabella.”
Amai Gambiza vakati; “I am so sorry bamunini, manje hey, ndave kutowedzera kurwadziwa
kwenyu.” Vakavhura handbag yavo ndokubudisa card remuchato. Lewis akaverenga card riya
ndokuita sevhiri rapera mweya pachair paaive akagara.
“I wish her the best, this David guy is a lucky man, I will always envy him.” Lewis akangokwanisa
kudaro.
“Try to be positive, you are married babamunini. Motoona kuti magadzirisa zviripo.”
“I have no problem with that, Barbra is the mother of my only son, I want things to work out. But dai
tichiitawo tese with my wife. Like now, since makatanga Bible Study in church, haauye, she
struggles kuuya kuchurch, kumanikidzana every Sunday. The day raanonyatsogadzirira ega kuuya
kuchurch, anenge ane mbatya itsva. And she has a very expensive taste, saka nhai mamma
ndofanira kumutengera new outfits for every Sunday here?”Lewis akadaro vese ndokumboseka
nhamo yekwaKatsande serugare.
Lewis akaenderera; “I joined chain prayers ndega, iye haadi. When in most homes varume
havanamate, but kwangu it’s the opposite, baba vanonamata vega.” Lewis akademba kuna amai
Mufundisi vake, dai aiziva kuti mazuva aya vaishandira Mwari asi vari pasi peshamhu yaMufundisi
ayayayaya.
Amai Gambiza vakabva vamuti; “Ko ndikambozotaura naye, woman to woman talk. I don’t want you
to divorce the second time bamunini, no. Saka ndichataura navo amainini. Keep on praying and
studying the Word of God, the devil is on a rampage to destroy families I tell you.” Amai Gambiza
vakatsanangura, vakazviona vachikwanisa kukurudzira mumwe nezvemumba make, asi mavo
vange vasingachaziva kuti baba vanoswerepi, vanopinda kana kubuda mumba nguvai, mamwe
mazuva vaisatodzoka kumba zvachose. Pavaidzoka kumba kwacho, vaisakwanisa kugara muroom
imwe chete, mumba maipisa kana baba varimo, maityisa.
Pamusuo pakabva pagogodzwa, murume aishanda apa uye achipindawo Euthenia Ministries
ndokuti; “Tave kuenda mukoma Katsande tine Cell group meeting na6, madam vangu vatondimirira
panze so.”
“Baba Choto, vari sei amai nababy, mati amai vari pano?” Amai Gambiza vakabvunza vachida
zvavo kufara nevatendi vavo.
Lewis akabva ati; “Ndeveku Msasa Park ava mamma, paduze nekuBedzanyota kwaSister Hazel.”
“Ok regai ndikuperekedzei, I can even attend your cell group and support you. Handei.” Mai
Gambiza vakadaro sezvo vakange vasina chekumhanyira kumba kwavo. Chishanu kudai Tafadzwa
wavo aitorwa nehanzvadzi yavo yaigara muHarare makare oenda kuweekend. Saka vaizove vega
nekuti murume aisavepo, akange atorwa nenyika.
Pavakaenda kumba kwana vaChoto vakapfuura nepaBedzanyota Drinks, pakange pakavharwa
pachiratidza kuti vanhu vese vange vachaisa, asi motikari yaHazel neyaBishop Gambiza dzaivepo
dzese. Kubvira musi wakange wapiwa Isaac Gambiza audio recording, amai Gambiza naHazel
vakange vasina kumbozoonana, kana kutaura vese zvavo.
Kwemasvondo matatu asina kuonekwa amai Bishop muchurch baba Bishop vaingove nezvekutaura
vachinyepera sangano kuti amai vari kupi.
Amai Gambiza vakandosiya vana Choto pamba pavo, ndokumbosiya zvekuve navo muCell group
ravo ndokudzokera kuBedzanyota drinks. Vasati varidza bhera pagedhe iro rakange rakakiiwa,
security guard akabva amhanya achiuya pavaive.
Paakavaona akafara chaizvo; “Ah ndimi mamma? Pindai pindai nhai,matevera kuzoita munamato
pano nababa? Pindai mamma pindai.” Guard akadaro achivhura gedhe.
Main entrance to the building yange yakavharwawo, vakafamba vese vachiendako Guard
achibvunza amai Bishop mufaro.
Pavakasvika pamusuo Guard akati; “Musuo uyu kana wakavharwa seizvi zvinotoda munhu ari
mukati kuti avhure. Ndambofunga kuti tifonere Boss kuti vavhure, asi sezvo baba Bishop varimowo,
zvinoreva kuti vari pakati pemunamato tinga disturber. Regai ndishandise Security Code yangu inini
mongopinda mamma, handifunge kuti ingave problem kuna Boss nababa Bishop, nekuti mafambira
chinangwa chimwe chete, kuzonamatira Business pano, muri mhuri imwe chete.” Guard aitaurisa
achifarira basa rake, uye ainzwa kukomborerwa to be of good service to this fine woman of God.
“Vauya nguvaiko Bishop?” amai Gambiza vakada kuziva.
“Vasvika manje manje mamma, asi haaa baba vanogara vari pano chaizvo, haaa tinotoshanda navo
pano zuva nezuva. Pindai mamma, ndave kudzokera kugedhe. Pindai pindai.”
Guard akadaro achivhura musuo ndokudzokera kugedhe.
Amai Gambiza vakapfuura pareception area ndokutevedza corridor voenda kuOffice kwaHazel
kwavainyatsoziva. Vakawana musuo usina kunyatsovharwa, pavange voda kugogodza vakanzwa
Hazel achiseka chaizvo, zvigunwe zvavange vapeta kuti vagogodze musuo zvakafreezer
vachiterera.
“Tarisa uko kani, nyatsokotama so iweee, ita mushe iweee” Inzwi raIsaac Gambiza rakadaro.
“Handiti tiri kuenda kumba here, why muOffice again as if uchandorara kwaPope Dory.” Hazel
akadaro achiseka.
“I like this wild side of us ......” Isaac akadaro ndokugomera zvechikuru. Vakange vakadekara zvavo
nekuvimba nemavhurirwo emusuo wepaCompany apa, ndovega vaikwanisa kuvhura vari mukati,
Guard aiziva kuti hapana aipinda pasina kutanga ataura naBoss Hazel.
Mamwe masounds akazoitika akaita kuti hana yaDoris isvetukire mukanwa, mabvi achipera simba.
Akacheuka ndokufamba achidzokera kureception. Ave kuda kuvhura musuo kuti abude, akafunga
zvakare kuti ndiye amai Gambiza, munhu aive umu aive murume wake, she had every right
whatsoever to be with him. Mukadzi akatenderera ndokudzokera, apa akasvika achingosaidzira
musuo ndokupinda.
Akamira pamusuo akatarisa vanhu vaviri ava vakange vakashama kuti hwiru vasina kana mutimwi
zvavo, kana ring yemuchato haana kuiona muchigunwe chaIsaac.
Bishop Isaac Gambiza vakaita sechitambi chakwachurwa pahamvuropu vachibva pakunamirana
kwechikuru kwavange vakaita pana Hazel. Vakanhonga shirt yavo yaive pedyo ndokumonera
muchiuno mavo vachisiya dzimwe mbatya dzese pasi.
Hazel akamhanyira mukastoreroom kaive muoffice umu kaive nemaChemicals avaibikisa zvinwiwa
apa. Akazvivhariramo akaterera zvaiitika kwaakange abva, Citric acid neSodium benzoate
zvaishandiswa kubikisa drinks apa zvakamubitiridza kunge achafa, akahwanda ari mushwi semuroyi
iye ari muhofisi make.
Isaac akayerera ziya akatarisa mudzimai wake, akaita dzungu renyadzi asi akaramba akatarisa
amai Tafadzwa achida kuona zvavaizoita, ange akatarisira kurumwa nemazino chaiko.
Misodzi yakadzatuka kubva mumaziso amai Gambiza ichiyerera nematama avo zvakaita kuti Isaac
atarise pasi. Vakasanganidzana maziso and he also felt and shared the heartbreak yakaita
mudzimai wake panguva iyi, asi haana chaakakwanisa kuita panzvimbo yavange vasangana iyi.
Amai Gambiza vakazokwanisa kuti; “Why Isaac? Hoo ndopane nyaya nhai? But why baba
Tafadzwa? How long has this been going on?”
Isaac akakwenya huma yake achigara pachair yaivemo asingapindure, akatsikitsira ndokubata gotsi
nemaoko ese akangonyarara. Doris akanhonga mbatya dzese dzevaviri ava dzaive pasi ndokubuda
oenda nadzo. Hapana akakwanisa kumutevera.......

TOO BUSY TO DIE


CHAPTER 21
Stories by: Rutendo L. Nzira
Lewis Katsande akasvika kumba kwake asina mufaro, aifunga nezvemuchato waIsabella.
Akangosvika ndokupfeka mbatya dzekurara nadzo ndokurara pasofa achiona Tv, akabva abatirwa
nehope. Akazomutsirwa chikafu ndokudya zvishoma ndokusaidzira ndiro kwakadaro.
“Ko marwara here? Hausi kufara hindava?” Barbra akazodaro aona zvanyanya.
“I am fine.” Lewis akadaro ndokunyarara. Barbra akaridza tsamwa achienda kukitchen.
Lewis akatevera ndokumuti; “What was that about?”
Barbra haana kupindura. Lewis akadzungudza ndokuti; “Ugondotengera amai vangu hembe
kwaEdgars mangwana. Unondotenga 3 outfits. Unovafonera vokutaurira zvavari kuda. Toenda
kumusha paweekend wondovapa.” Lewis akadaro achifamba achibuda.
“Handidi kuenda kumusha kwako ini, and why buy 3 suits for munhu ari kumusha? Vanopfeka
vachiendepi? Edgars outfit pachibhorani hehehehe. Edgars shoes vakasenga bucket vachidiridza
mugarden kurwizi hahahahaha. Gore rino tinodzidza shuwa.” Barbra akaseka zvekusvotesa.
Lewis akaita searohwa mbama, akahuta nehasha ndokumbomira, mushure mekufemedzeka
achizvidzikamisa akatendeuka ndokuti; “Ndiani akubvunza izvozvo?”
Barbra akabva ati; “Unondikumbira mhani kwete kundipa instructions uchitofamba uchienda. Handisi
musikana wekwaKatsande webasa.”
Lewis akafinyama ndokuti; “Waitenga chiiko kubvira Monday waingoenda kutown making all those
withdrawals?”
“Hembe dzanguka, zvinei nezvatiri kutaura pano?” Barbra akadaro.
“Why are you complaining kutenga hembe dzaamai vangu as if iwewe hauna zvinhu zvako
zvakakwana pano? Ndodawoka simple respect from mukadzi wandakaroora.” Lewis akadaro
achiratidza kuneta.
Barbra akaseka achizvirova maoko ndokuti; “Saka kana ini ndikatenga hembe ambuya vaye
vanotofanira kutengerwawo? Ko ndikati handisi kuda unondiita sei?”
“I am tired of fighting please Barbra, ugondotenga like I said” Lewis akafamba ave kubuda.
“Vaudze vandifonere vachikumbira kuti ndinovatengera.” Barbra akadaro ari mumashure maLewis.
Murume akatendeuka ndokuregedzera mbama yeseri kweruoko, Barbra akabondera pacupboard
mawater glass ese aivepo ndokuti ngondo ngondo achidonhera pasi.
Lewis akamutevera ndokusikiza imwe mbama, akamusaidzira akandobondera pamusuo,
ndokumudhonza zvakare dress rake nemuchiuno ndokubva rabvaruka.
Lewis akaridza tsamwa ndokubuda achisiya amai vaTichaona vakashama muromo.
Barbra akamboita nguva akabata panzeve paange arohwa neseri kweruoko. Akabata dress rake
raange akapfeka musi uyu parange radamburwa nemurume wake, akadhonza dhonza tushinda
nekutwasanudza pange pabvarurwa. Pakarepo akafunga paakamboona dress rakadambuka
zvakafanana nezvaaiona apa.
Hana yake yakarova achifunga kuti ndohope dzaakarota usiku hwaakange arara kuMasvingo. Iye
akange afunga kuti muchato chaiwo izvo aiwa, gown remuchato rakange ramiririra imba yake.
Zvaireva kuti nyaya dzake dzese naLewis dzaizopera nekurohwa here? Misodzi yekuzvidemba
nehasha yakazara mumaziso, ndoyaizove imba yacho here? Zvekurohwa izvi zvaizopera rini,
akazotevera kundorara achironga kundoona ambuya Mangena pazuva raitevera.
Pazuva rakatevera mangwanani, vatete vaBarbra vakafona vachiti vaive muHarare vachitenga
tunhu twavo, Barbra akabva aenda nemota ondotenderera navo achivabatsira zvavaitenga.
Vakazobva vandogara muChicken Inn vodya masikati vatete vasati vakwira mabhazi ekuenda
kuBanket.
“Vari sei vana Rumbie nhai tete?” Barbra akadaro.
“Ummm vanofara, Tadiwa ndiye akaenda kuSouth Africa chess tournament, baba vacho vakatoenda
naye kuda vari kudzoka Sunday iyoyi. Vana vako vanofadza Barbra iwe, dai wagadzirisa ukama
navo.” Vatete vakarondedzera.
“Ndigogara ndichitaura naRudo? Ah? Ko baba Ticha vakazviziva?” Barbra akadaro achirambirana
navatete vake.
“Handisi kutaura zvekuti uite wakahwanda, taurira Katsande chokwadi, anokunzwisisa kana
achikuda. And hausi kumuti achengete vana vako. Asi zvakangonaka kuti vana vako vapote
vachiuyawo kwauri, ndiwe amai vavo.”
Barbra akadzungudza “Ah hameno, ndichaona. Asi kwete mazuvano nekuti iiih sandi kundirova
kwaari kuita baba vaTicha wacho.”
Vatete vakakachidzwa nefanta yavainwa vachishamisika zvakange zvataurwa nemwana
wehanzvadzi yavo; “Ko unenge uchiroverweiko nhai mai Rumbie?”
“Ndikangotaurawo zvandinofunga anopindura nembama, ndotoshaya kuti zvichapera rini. Ah
ndaifunga kuti varume vane mari havadaro, naVictor ndaingoita zvandinoda ini.”
Vatete vakadzungudza ndokuti; “Sarudzo dzako mwana wehanzvadzi yangu. Asi baba vaTicha
vanoita semunhu kwaye wani. Ko ukati vataura wombonyarara worega kupikisana naye.”
“Ah kuudzwa zvekuita ndichingoita ndakanyarara kuti pajere here?” Barbra akadaro ndokuseka.
“Upenyu hwako hwese ijere rawakazvipikisa mwanangu. Sarudzo dzako ijere rawakazvivakira wega.
Ndaifara dai wasangana nenyasha dzeDenga, wagara zvakanaka mumba mako umu
wachembedzana nababa vaTicha. Ndikafunga zvawakaviga zvaasingazive ndinoona kuti wakaoma
wena. Pachave nekugeda geda kwemeno tichinyara zvedu mhuri yese musi wacho.” tete vakadaro.
Barbra akarambirana navo; “Matanga kutya kwenyu, kuti ndakauraya munhu here? Chii chitsva
chandakaita chisina mumwe akamboita pasi pano? Ndikakwanisa kugadzirisa kuti ndisarohwe
tinogara. Ndiri kumugadzirisa, kana ndakambokwanisa kuti andiroore ndozvaitonetsa, zvekurohwa
zvidiki izvi.”
“Gadzirisa mukanwa mako mai Rumbie iwe, une diarrhea yemukanwa. Ko iko kuchurch
kwamunoenda vana amai Mufundisi havakudzidzisei kugara mudzimba dzenyu zvakanaka here?
Kutaura kwakanaka kune rukudzo kuna baba veimba.” Vatete vakaraira zvakare.
Barbra akaseka zvekusvora ndokuti; “Hanzi ndidzidziswe namai Mufundisi, ivo vekwangu vaye
vangagona kundiudza zvekuitira murume wangu iye wavo riri zikiriminari vanorigonerwa nani, wangu
ari nane.” Barbra akaseka zvekutoita misodzi mumaziso. Vatete havana zvavakanzwisisa apa saka
vakasiyana nazvo.
Barbra akasvika pamba pambuya Mangena ndokupinda akabata Tichaona ruoko.
Ambuya vakafarira vaenzi vavo, uye vange vave hama dzepedyo sezvo vaigara vachibatsirana.
Ambuya vakasimudza Tichaona vachiti; “inga kukura hakutane, zvaave kakomana kave kutotumika,
kakasimba uye kakanaka nekungwara chaizvo. Atosvitsa makore maviri handiti? Uye ari kukura
zvinofadza chose. Iyo hendisamu sababa.”
Vese vakamboseka Barbra ndokuti; “Ko ini ndakanaka wani nhai ambuya, mwana akafanana neni
uyu. Sei munhu wese achingoti kunaka sababa. Kana baba vacho vanomuda chaizvo. Hasha
dzandiri kuitirwa mazuvano kana akawana chinomuwana mwana uyoyu imba inoparara.” Barbra
naambuya vakaseka vachirovana maoko zvekuti vamwe varwere vaive panze vakafunga kuti Barbra
aitodzidziswawo hun’anga nekuwirirana kwacho.
“Musanyanyotamba naye mwana iyeye ambuya anondotaura kuna baba vake kuti gogo vaye vati
zvakati, ndingapesaniswe shaya ini zvangu.” Barbra akadaro.
Barbra akagara pasofa zvake ambuya ndokutanga kushanda nyaya dzake.
“Ndanzwa nekurohwa ambuya, ah murume wacho kubvira pakauya amai vake haachazeza
kungondirova. Ndoita sei?”
Ambuya Mangena vakambotarisa hakata dzavo ndokuti; “Yaa ndizvozvo, vamwene vako vane daka
hombe newe wena. Asi ngatisiyanei navo, toshanda murume waunogara naye.”
Barbra akagutsurira achiti; “Chokwadi, ndipei wekuti andidzikamire, aterere zvandinenge ndataura,
ndinoda ambokanganwa amai vake, kana vakarwadziwa nazvo vauye kwandiri.”
“Zvido zvako wena muzukuru, iwe unobhadhara zvinofadza saka zvaunoda zvese unozviwana.”
Ambuya vakadaro ndokubudisa midzi.
Vakabva vati; “Unondokwatisa midzi iyi wakasanganisa nezvipfeko zvenyu mese muri vaviri
zvemukati, chako iwewe nechemurume wako. Kana zvikanyatsokwata zvakanaka naka, mvura
yacho inoita brown. Womwaya mwaya mumba mese nemuyard mese uchitaura zvaunoda.
Mushonga uyu haufanire kurara mumba mako usati washanda.Unofanira kuzviita nhasi panodoka
zuva. Kuti zuva ridoke nazvese zvausingade, kudoka kwezuva kunofanira kuenda nazvese
zvinokunetsa. Saka wonyatsotarisa nguva ubva wagadzira mishonga yako.”
Barbra akatambira midzi iya achiti; “Manje nguva idzodzo baba vaTicha vanenge vave mumba
ndozviita sei?”
Ambuya vakambotarisa midzi yavo ndokuti; “Kazhinji vanhu vandinopa mishonga iyi, kana paine
wavanogara naye pamba anokanganisa kuitwa kwebasa, anotononoka kudzoka musi iwoyo
anozosvika wapedza zvese zvaunofanira kuita. Saka usanetseka zvako.” Ambuya vakatsanangura.
Barbra akatambira achitukirira nechemumoyo kuti ambuya vaye vonyepa zvino. Zuva nezuva Lewis
aisvika pamba kusati kwadoka, aingoti kuchaisa nekunanga kumba.
Zvisinei akatora mushonga wake ndokuti; “Chiregerai ndimhanye kumba ambuya, 3 dzatochaya
regai ndinoita zuva risati ranyura, uye baba vasati vasvika kumba.”
Amai nemwana vakabuda voenda, Tichaona akange akagara kumashure, achipota achimira pakati
pezvigaro akatarisa kumberi achitaura naamai vake.
Pavakapinda mudhorobha amai nemwana vakapfuura nekubasa kwababa. Lewis akafara chaizvo
kuona mhuri yake. Tichaona akange ave nemakore maviri ese ave kutaura nekuziva twakawanda.
Mwana nababa vakamhanyirana ndokumbofara vese vachisimudzana nekubvunzana chino neicho.
Barbra akagara pasi akatarisa Lewis Senior naLewis Junior vachimhanya neOffice yese vachiseka
nekutoumburudzana pasi pafloor chaipo.
Lewis akambobuda nemwana ndokuenda kumashop aive pedyo, vakazodzoka vagukuchira matoy
emhando nemhando, uye vange vapfeka macap akafanana, nemat-shirts akafanana. Lewis
akasvika achikanda plastic bag raive nemat-shirts matsaru avange vakumura vasati vave nematsva
aya akafanana pamakumbo aBarbra.
“Taakuda kuenda nhai baba Ticha, handidi traffic congestion, ko matenga futi mamwe matoys?”
Barbra akadaro akatarisa baba nemwana, “Ne uniform?” Vese vakaseka.
Lewis akaseka ndokuti; “Ndange ndichida kuona kuti Junior anogona choice here kana akaona
zvinhu zvakawanda muShop.”
Barbra akangotarisa zvange zvatengwa ndokunyemwerera zvake, Lewis akabva ati; “Am happy my
boy haana expensive taste saamai vake, ndaipinda busy.”
Barbra akasimuka paange akagara ndokuti; “Ndokundidenhaka ikoko, ndakuenda kumba, unoda
chii? Chicken or pork?”
Lewis akati; “Pork will be fine, ndichanonoka kuuya kumba nhasi pane client yandiri kundogadzirira
maComputers ake kuNorton, so ndosvika kumba kuma 8.” Hana yaBarbra yakarova nemufaro
achiona kushanda kwemishonga yaambuya Mangena.
Inga mushonga wakange watoshanda asati atopinda nawo mumba. Barbra akange achityaira mota
yake achibvunda nekufara. Akatadza kumirira kuti asvike kumba agofonera ambuya Mangena.
Akatsvaga cellphone yake yaakange amboisa pachigaro chekumberi akaishaya.
Achityaira neruoko rumwe chete, akavhura handbag yake yaive pachigaro padivi pake achitsvaga
cellphone kuti afonere ambuya Mangena achivatenda. Akaramba achibata bata achitsvaga fone,
haana kunge aona kuti kuitsveta kwaakaiita Tichaona akabva aitorawo.
Akacheuka otarisa mukati mehandbag iya, ndokumbosiya zvekutarisa mumugwagwa. Ipapo
akanzwa kurira kwemabhera kwaive neruzha, akakurumidza kutarisa kumugwagwa achivhunduka.
Akaona kuti abuda kwaaifanira kufambira. Akada kutsika brakes, asi nekuvhunduka mabhera
aairidzirwa akatsika mafuta mota ikapenga nemugwagwa, akakwanisa kutiza kuti asabonderana
nedzimwe mota ndokubuda muroad. Mota yakasakura pasi yachibuda mumugwagwa iye ave
kuvhiringika asingachaziva zvekuita. Akaregedza steering wheel otsvaga mwana waange
ambonzwa kuchema.
Motikari yakazondozorora yatungana nemuti waive kunze kwemugwagwa. Pakamboita runyararo,
huruva ichipfumbuka, vakange vakatarisawo vaizvifambira vachiridza mhere, uye chiutsi
chakabudawo kubva kumberi kwemota simbi dzese dzashama.
Barbra mukuvhunduka ari munyakanyaka yakaitika iyi, aiterera zvaiitika mumota make asi achitadza
kuzvibatsira. Akange abondera pasteering wheel oita seanamirwapo, uye aingoona ropa kumeso
kwake raaisaziva pariri kubva uye aisave nepairwadza, muviri wake wese waive chiveve. Akanzwa
vanhu vaivhura madoor emota, akakwanisa kuvati; “Mwana wangu, tsvagai mwana wangu....”
“Ari pano mwana uyu.” Mumwewo aibatsira akadaidzira.
“Mupenyu here, hey hey hey, anenge adonha akabondera bondera, mupenyu here nhai mwana
uyu?” vanhu vaibatsira vakadaidzirana vega.
Pakaita ruzha rwemasirene, emapurisa neambulance, Barbra ndokudzima.

TOO BUSY TO DIE


CHAPTER 22
Stories by: Rutendo L. Nzira
Amai Gambiza vakakwanisa kundopinda mumota mavo vakarembedza mbatya nebhutsu dzehama
dzavo munaShe. Vakasvikovhura motikari yavo ndokukanda mbatya dziya dzese kumashure chaiko
kwaive nerimwe vhiri.
Guard akashamisika achiona amai vachibuda vega vachinge vabva kubody viewing.... Kuti
ndokwavaibva? Akangozvishayawo. Ivo havana kana kumutarisa kana kumusimudzira ruoko kuti
vave kuenda. Akangovhura gedhe ivo ndokutyaira mota yavo ndokuenda.
Amai Gambiza vakatyaira motokari yavo kwekanhambwe kadiki, pavakangoenda kure
neBedzanyota Drinks, vakamisa motikari padivi pemugwagwa ndokubongomora mhere sevafirwa
nemhuri yese. Zvinhu zvakawanda zvakatanga kujeka kwavari.
Vakafunga kufamba kwese kwaiita Bishop naPA wavo, matrips ekunze kwenyika ese, mbatya
netwakawanda wanda twavaipiwa naHazel, zvese izvi zvaibaya moyo waDoris. Nedzimwe nguva
vaiona vaine bhutsu kana jewellery zvakafanana, kuda ndiIsaac zvake aitotengera barika rake.
Vakafunga makuhwa akange ataurwa navamwe amai vaive nemunin’ina aishanda kuLodge aiti
Bishop Isaac vane musikana wavaifamba naye, amai Gambiza vakabvunza Hazel akati haana
kumboona Bishop vane munhu. Zvange zvava pachena, aigoona sei pfambi dzaIsaac iye aive iye
pfambi yacho. Zvechokwadiwo sekutaura kwaamai Nyandoro, Isaac aingovewo munhu munyika,
zodzo yaMwari yekushandira mweya yevanhu pange pasina zvachose. Ndosaka vakange vatadza
kugadzirisa imba yana Katsande.
Doris akavhunduka achifunga kuti zvimwe Lewis naIsaac vaizivana panyaya dzechipfambi. Barbra
akange akwanisa kubvisa Isabella, saka zvazvadai Hazel ndozvaange agadzirirawo? Mai Gambiza
vakaona zvedi kuti Barbra naHazel vaiwirirana chaizvo, zvese zvaiuya mupfungwa dzavo
zvaivarovesa nehana vachiona kuti vakagara pakati pevanhu verima.
Doris akarwadziwa uye akanzwa kunyara kumira kumberi kwevanhu vemuEuthenia Ministries. Saka
vaizviziva zvavo, vakaedza kumuudza asi akavatukirira achipupurira the man of God, the man who
feareth the Lord waange aroorwa naye.
Zvino apa Isaac naHazel vakange vatowana chikonzero chekuve vese, vaibvumirana pane zvaiitika,
vaive nemaonero mamwe chete pamusoro peEuthenia Ministries.
Iye Doris ndiye aitove nenyonga nyonga dzaaikonzera dzange dzomushaisa rugare mumba make
naIsaac. Maonero ake matsva eupenyu akange asaidzira Isaac mumaoko aHazel. Mudzimai
akarwadziwa achishaya kuti zvaizopera seiko zvakadai izvi. Zvaizogadzirika sei.
Akabva ananga kumba kwanaIsabella, akawana achangosvika pamba pavo kuChitungwiza
kwaaigara nevabereki vake. Paakangokwazisa vabereki, madzimai maviri aya vakabva vaenda
mubedroom maIsabella vondotaurirana. Doris akarondedzera zvese nemisodzi pamatama, Isabella
ange angoshama muromo asi akarangarira kuti pane kashiri kakamboti “amai Bishop vakapusa,
vanofarira PA pfambi iyo anovatorera murume.”
Asi vese mazuva aya hapana aizvifungira kuti baba Bishop vangaite zvakadaro, vaive munhu
mukuru aityisa hapana aiswedera pedyo navo.
Akaonawo kuti sei imba yake naLewis yakaparara, zvaigodii vese vaitungamirwa nemhombwe,
chifeve zvacho saka vana vesangano vaigodiiwo. Uye kunamata nekuziva Mwari chaiko kwaisaveko
muupenyu hwake naLewis mazuva iwayo. Isabella akatenda Mwari neupenyu hwake, akaona kuti
hondo yaive muupenyu hwake yaive nane pane yaamai Gambiza iyi, zvavairwa nazvo zvaive
zvikobvu.*****
Pakabuda Doris paBedzanyota, Isaac akaramba akanyarara akagara pachair paange asiiwa
nemudzimai wake ari. Hazel paakanzwa runyararo akabudawo mustoreroom maaive, maziso ange
akatarisa pasi paange asiya mbatya dzake asi akawana yangove nzvimbo.
“Waisa kupi hembe dzangu, ngatipfekei tibude muno”. Hazel akadaro achitadza kunyatsomira,
pfungwa dzake dzaisaenderana nezvaange akapfeka apa.
“Doris aenda nadzo.” Isaac akadaro achakagara pasi.
“You are joking right?” Vakatarisana, Hazel ndopaakazoona kuti mumwe wake ange akangosungira
shirt yega muchiuno, pasina kana zvipfeko zvemukati, kana bhutsu kana masokisi zvawo
ayayayayaya, amen.
Hazel akaruma ruma muromo in shock, akabva ati; “Wakapusa iwe, watorerwa hembe wakagara
ipapo why? Waregerei achienda nadzo? Unomunyengerera chiiko Doris? Ah I underestimated
power yaanayo over you.” Hazel akaridza tsamwa. Akamunyaira akashama kudaro achidzokera
mustoreroom make ndokuuya nemabhachi maviri machena, aive mabhachi aipfekwa nevaibika
zvinwiwa paCompany apa. Akatora rimwe ndokukanda rimwe kuna Isaac.
“Pfeka tiende.” Hazel akazodaro ave kutovhara mabutton ebhachi rebasa raange apfeka. Isaac
akazosimukawo ndokupfekawo zvishoma nezvishoma.
“Ko unotsamwira inini ndadii? ” Hazel akadaro ave kusvotwa nemaitiro aIsaac pamusoro pezvange
zvaitika.
“Shut up I have to think, you can’t even see the mess that we are in. Ko ukabuda panze apo veNews
vakakumirira unoita sei? Maybe Doris atoenda kumapurisa so, she has proof for adultery damages
against you, ko akakuunzira mbatya dzako kuSunday service?” Isaac akadaro.
Hazel akaseka ndokuti; “Doris nekukuda kwaanoita angadaro?”
“She is still my wife, ndonotarisana naye sei kumba? Shut up am thinking mhani!” Isaac akadaro
nehasha. Hazel akaridza tsamwa ndokunyarara.
Isaac akaenderera; “Iwewe handiti kumba kwako kune dzimwe hembe dzangu? Handei ndoda
kuona kuti asvika kumba mushe here.” Isaac akadaro. Hazel akaramba akanyarara.
“But ndotozotora mota yangu mangwana, makeys ange ari mutrousers raenda namai Gambiza.”
Isaac akadaro, Hazel akangomutarisa ndokufinyama.
Vakazofamba vese vondobuda nekuseri kwaive neimwe mota yeCompany, Hazel akafonera Guard
achimuti avhure gedhe agobvapo aende kuseri atenderere achiita basa rake kusati kwadoka.
Vakabva vabuda panguva iyoyo Guard asiri pagedhe.
Isaac akasvika kumba kwaHazel ndokupfeka track suit yaiveko. Akavhura handbag yaHazel
ndokutorawo mari kuti akwanise kukwira Combi sezvo wallet yake yaivezve mubhurukwa rakange
ratorwa navadzimai vake. Murume akamhanya kumaCombi oenda kumba kwake kuAvondale.
Isaac akazofonera mudzimai wake 10 dzemanheru dzatochaya mushure mekumbomumirira
akasauya pamba pavo. Doris akatarisa fone ichirira akashaya simba rekutaura nemurume wake,
akarega ichirira kusvika yanyarara. Payakazorira kechipiri, Isabella ndiye akazodavira akataura
naBishop Gambiza. Vakangoti; “Ndange ndichida kuziva kuti is she ok, nekuti ndamushaya pamba.
It’s fine then. Thank you, munditendererwo vabereki venyu amainini for taking mai Tafadzwa in.”
Vakadzi vakatarisana pasina zvavakataura sezvo vese vange vakaterera zvaitaurwa naGambiza.
Pazuva rakatevera vakaenda vese kuConference Center, amai Nyandoro vakaona kuremerwa
kwaiitwa Doris musi uyu, vakamupa mukana wekuburitsa shungu dzake dzese achidzokorora
zvaange aitirwa nemurume wake.
Pashure vakazomuti; “Saka uri kuda kuita sei nhai mwanangu? Mbatya idzo wakatora vakafamba
vakashama ehe, that was fighting back, asi uchaita sei, nekuti uchangodzokera kumba kwako wega,
uchindotarisana nemurume wako.”
Doris akadzungudza achiremerwa nezvaaive akatarisana nazvo, akabva ati; “I will expose them,
ndichandoudza vanhu vese muchurch kuti Hazel….. Hazel ndiye …..” Misodzi yakaerera ndokubva
anyarara. Amai Nyandoro vakamubata ruoko ndokunyarara zvavo kuti apedze shungu dzake.
Doris akaenderera. “Ndinoda kuvanyadzisa, kuti vabude muchurch vese vasauye zvachose. Even
vakabuda mumaNewspaper nyika yese ngaizive kuti Isaac Gambiza is a fake, promiscuous Pastor
and brother to the devil....” Doris akaungudza after saying mashoko akaoma kudai pamusoro
pababa vemwana wake.
“Maybe takurumidzisa kutaura about this mwanangu, uchine shungu nehasha.” Amai Nyandoro
vakadaro.
“Ngavachibuda muchurch musare vanoda Mwari chaivo. Why is this happening to me, ah why, why,
why?” Doris akademba.
Amai Nyandoro vakabata Doris iye ndokuzembera pavari ave kuchema zvakare. Vakazoti Isabella
amuperekedze kumba kwake kuAvondale.
Vakawana Isaac aripo, mukadzi nemurume vakatarisana asi hapana akakwanisa kutaura
nemumwe. Isaac paakaona asina kubvunzwa uye mudzimai ave mumba mavo, akabuda
ndokudzokera kwaaidiwa nguva ipi zvayo. Aive nezvakawanda zvekurongawo pamusoro peupenyu
hwake.
Doris akasara achiwedzera hasha, akanzwa kuti imba yake yave kuzununguka, change chasara
kudonha kwayo. Muchato wake naIsaac wange wonhuwa kuparara.
Mushure memazuva matatu, vachingosangana mumba vachipesana chinyararire. Isaac akazoti;
“Ngatitaurei about what happened kuya kuya uko.”
“I am listening.” Doris akadaro achitora pillow yake kuti aise pamakumbo ake kutsvaga simba
akaibatira.
“I am sorry. Zvaisafanira kudaro.” Isaac akadaro asingade kusanganidzana maziso nemudzimai
wake.
“How long have you been screwing that bitch pese pese kunge imbwa baba vaTafadzwa? How long
uchindinyadzisa ndichifamba naye nekuseka naye while everyone knew kuti she is your ..... your
.....!”
“That doesn’t matter. But it’s long enough for me to see kuti she understands me better that you.”
Isaac akadaro.
Doris akashama muromo aomerwa nezvaitaurwa nemurume wake, akazoti; “Are you even sorry?
Let’s not mix issues Isaac. Chii chakatanga, this adulterous affair, kana kutsamwa kwako about mai
Nyandoro’s prophecy?”
“Whatever, but I want a woman who can support me in Euthenia Ministries. You lied to me Doris, I
don’t even know you anymore.” Isaac akadaidzira.
Doris akagomera kunge ange akadzvinywa pahuro pake; “Uri kuwedzera kundirwadzisa Isaac.....
seems you have no shame.... no regret ..... no remorse ...... you just don’t care ....... and it hurts
......you are hurting me.....and you don’t care ......” Doris akadaro ave kuyerera misodzi.
Isaac akaramba akanyarara akamutarisa, Doris akaenderera;
“Now I understand sei usina kuwana time yekuti titaurirane zvese izvi. Waigowana nguva yekutaura
neni sei when she is poisoning your mind against me. All that I do, all I live for is for you my husband
and our Euthenia Ministry.” Doris akadaro.
Isaac akabva ati; “No no, handina kumboti I need your assistance in Euthenia. For your infor, Hazel
is doing a better job in the Ministry than you are doing, she is doing it the way I want it done. Dzimwe
luxury dzaunadzo pano, its Hazel’s work. Une crazy ideas about my Ministry, handisi kuzvida get
that into your head. You are simply pushing me further away from you Doris.”
Doris akadzungudza musoro ndokuramba akanyarara, akazoti; “I will deal with your mistress I will
expose your adulterous affair .....”
“No, you won’t do that!” Isaac akadaro nehasha.
“Watch me, ndange ndakamirira a simple or fake apology from you. Manje hauzvigoneka, I will
expose you. Pride yako baba vaTafadzwa, will take you to an early grave.” Doris akadaro nehasha
ave kutsamwawo.
“You see, you see, ndozvawakagara uchida, to destroy me and my Ministry, then kana Hazzie ave
kuzvitaura wave kumuita the bad girl.”
“Oh Hazzie nhai .....? Kwete sister Hazel anymore? How sweeeeet.” Doris akadaro achihutisa
miromo nekurwadziwa neshanje, akasimuka ndokugadzirira kubuda, Isaac akamutarisa achienda
kwaasina kubvunza.
Doris akasvika kuna mai Nyandoro ane dzungu rehasha nekupererwa, she was at the point of
breaking down with helplessness and hopelessness. Nhaurirano yaakange aita nemurume wake
yakange yatowedzera kumuvhiringidza.
“Ndave kuendesa nyaya kuchurch and to all newspapers. I trusted both of them asi they have
destroyed me mamma, I cannot take this anymore.” Doris akadaro.
Mai Nyandoro vakamuti; “No you will not do that, my daughter.”
Doris akavatarisa neziso raiti saka ndodiiko. Akadzungudza ndokuti; “I have lost everything,
handichazvigone ini.I have lost the marriage, I have lost the Ministry. I am tired handichazvikwanisa
ini.”
“Nhai mwanangu, tell me, exposing Gambiza and his mistress zvinokubatsira chii? ” Amai Nyandoro
vakabvunza vakanyatsodzikama zvavo.
“Kuti vanhu vese vazive nhema dzake nazvese zvaanoita ...” Doris akadaro.
“You will be destroying the Ministry, remember it’s the same Ministry you are anointed to lead. And
also ziva kuti your Ministry is made up of Christian babies, any wrong move vanotiza vese, maintain
peace. And remember, Gambiza is still your husband, you don’t talk bad about him to the world like
that. Ukadaro then you will lose everything. But for now ndiri kuona Ministry unayo, and marriage
yako is intact. Be careful, don’t be discouraged by the devil’s antics. Zvichapera soon, woputsa
dende wosvika here nhai Pastor Mrs Gambiza?”
Doris akadzungudza achiti; “Zvese hapana chandiri kuona ini, marriage yacho, he told me to my
face kuti he prefers the other woman. Why is God protecting them vachindirwadzisa zvakadai?
Ministry yacho ah ....tave kutoirwira and havasi kuregedza pavakabata even after ndavabata red
handed, no shame.” mukadzi akatsikitsira achishaya kwaienda nyaya.
Mai Nyandoro vange vave kushingirirawo kuti mumwe wavo asaone kurwadziwa kwavange vave
kuitwawo nezvaiitika. Vakabva vamuti; “Mwari vanomiririra shoko ravo, imbodzikama, this issue has
discouraged you chaizvo, ndazviona. Asi hatisi kuzoregera satani achienderera, hapana
wauchaudza about murume wako. Iye ega achazotaura nemuromo wake. Iwe stop talking about
vanhu, your anointing is to preach Christ, kwete to preach about vanhu, let God deal nevanhu, ndiye
Akavasika.”
Doris akagutsurira nyange zvake aisanzwisisa kubata kwedenga.
“Right now you have been up and down fighting your husband, saka hausi kunzwa kutaura kweHoly
Spirit as before. God knows zvese that’s disturbing you kuita basa ravo, give those things unto Him
uone kubviswa kwazvinoitwa.”
Doris akagutsurira ndokubuda oenda kumba kwake. Akasvika pamba baba vabuda. Akatanga
kufunga zvese zvakange zvataurwa naamai Nyandoro akangodzungudza achiomerwa nezvaiitika.
Pasina nguva Isaac akapinda mumba.
“Wange waenda kupi?” Isaac akabvunza ready for a fight.
“KuConference center kwamai Nyandoro.” Doris akadaro asisina basa nazvo. Ange ave kuda kuti
Isaac azive zvese zvaaiita, kwese kwaaifamba, kana aida vaikwanisa kuenda vese.
“Inga ndakamboti haufanire kutaura nevanhu ivavo wani. Wadii wachibva pano, regera kudzoka
pano mundoita zvamunoita ikoko zvisinei neni.” Isaac akadaro.
“Isaac please, haunete fight everyday here?” Doris akadaro.
Bishop Gambiza akaenderera; “I researched a lot about mai Nyandoro ivavo. She parades herself
as a widow but Nyandoro akazofa varambwa, probably nekuda kwemukonya sewavari kukuitisa uyu.
Soon you will be out of your marital home wave a single mother uchifurirwa naamai ivavo. Uri
kunzwa?”
Doris akafemedzeka ndokuti; “Be careful, she is an anointed woman of God, hauvataure saizvozvo.”
“Nonsense, mahure anongofamba kutsvaga kuparadza dzimba dzevamwe ndovauri kuterera
destroying my business what is that?” Isaac akadaidzira nehasha.
“Stop it! Stop it Isaac!” Doris akadaro achivhara nzeve dzake kui asanzwe kunyombwa kwaiitwa
amai Nyandoro, akashaya kuti onyaradza murume wake sei. “Shoko raMwari rinoti touch not my
anointed, you are calling her names, Isaac you don’t know that woman.”
“Ooooh, sorry shame, wave kuvatya? Ndovakaita kuti usandione sababa muno mumba handiti?”
Isaac akakwamatata.
Isaac akatora cellphone yaDoris ndokufonera amai Nyandoro; “Listen to me you stupid bitch. Leave
my Ministry, I don’t need your help. And leave my soon to be ex-wife alone. If you want a fight from
me, then you will get one, wanzwa! Nhai mbuya imi madiiko kutsvaga murume, tsvagai kasekuru
kesize yenyu muwane kumbokwenywa dzungu riite shoma, musiyane nedzimba dzevana vadiki.
Bitch!” amai Nyandoro havana chavakapindura.
Doris akange akamira akatarisa murume wake, shoko rese rekutuka raitaurwa naIsaac kuna
Prophetess Nyandoro raibayawo kuna Doris.
Mukadzi akachema akapfugama akabata murume wake makumbo; “What have done? Isaac! You
have just destroyed yourself ....”
Isaac akabuda mumba ndokuenda kwaaiziva.
Doris akasara achitya kuti kana zvadai amai Nyandoro vaizoda here kuramba vachishanda naye
kana murume wake ave kuvanyomba seizvi. Akasvika pakundorara murume asati adzoka, izvi ange
azvijaira asi kubvira pakavhurika gehena rekuBedzanyota, kusave pamba kwaIsaac raive pfumo
kwaari.
Kana minamato yake kwange kwave kuverenga book remapisarema amambo David achidaidzira
chaiko kuti naiyewo aterere zvaaiverenga kubva mubook reupenyu.
Pakachaya 10 dzemanheru musi uyu, Isaac akasvika pamba pake, ndokungonanga muguest
bedroom maairara mazuva aya.
Doris paange ave kutobatirwa nehope akanzwa musuo kuvhurwa, Isaac akabatidza light
remubedroom mavo ndokuti kumudzimai wake; “Won’t you shut up ndiri kudawoka kurara.”
Doris akashaya kuti baba ava vaitaurei, akaramba akanyarara ndokudzokera kurara. Isaac akabva
arara padivi pemudzimai wake. Mushure menguva Isaac akapatika achimuka achigara pasi, Doris
akabatidzazve mwenje ndokutarisa murume wake.
“Chiiko?” Doris akabvunza.
“I am having the same dream over and over again.” Isaac akadaro achidikitira. Doris akapukuta
maziso ake ndokuti; “Ah what dream?”
“Iwewe, preaching 1 Chronicle 16:22 ‘Touch not my anointed, and do my prophets no harm.’ You
keep shouting and shouting in my ears. Pandange ndiri kuGuest bedroom ndatofunga kuti you were
praying.”
Isaac akadaro ndokufemereka, akamuka ndokundonwa mvura kukitchen ndokudzoka vorara
zvakare. Pasina nguva akamuka zvakare, akapfeka mbatya dzake ndokubuda. Akafonera Hazel
ndokupfuura achimutora voenda kuLodge kwavaigarosangana kunze kwedhorobha.
TOO BUSY TO DIE
CHAPTER 23
Stories by: R. L. Nzira
Barbra akazovhura maziso ake ndokusanganidzana nanurse aibata bata drip rake.
“Muri muHarare hospital, maita accident about 2 hours ago.” Nurse akambonyarara akatarisa
murwere wake achimupa nguva yekudzora ndangariro. Vakaramba vachitaura vese kusvika
Barbra akwanisa kunyatsoziva kuti chii chaiitika. Akabva azopa mukoti uyu number dzaLewis
kuti vamuzivise.
Barbra akamuka ndokugara pasi, nurse akamubata bata maoko nemakumbo ndokuti; “Pane
pari kurwadza here?”
“Aiwa, asi musoro zvishoma shoma. Hembe yangu ine ropa, ndakuvara pai?” Barbra akadaro.
“Machekwa nemasun glasses amange makaisa mumusoro its a small cut mumusoro asi
pabuda ropa, asi hapana kunyanyokuvara. Tichakuendesai ku x-ray.”
“Mati mwana wangu ari kuICU handei ikoko. Akuvara chii?” Barbra akadaro hana ichirova.
Nurse akabatsira Barbra kusimuka, akamboda kumugarisa muwheel chair asi Barbra akati aida
kufamba ega kuti anyatsonzwa kana paine pairwadza.
Vakawana Lewis Tichaona kakazadzwa nemishina yese inopa upenyu, waiwedzera mweya,
waiwedzera ropa, waibudisa mvura waibudisa tsvina zvese zvange zvakaputira mwana,
aifemera kure kure. Barbra akagara pasi misodzi yave kuerera, akatya kana kubvunza kuti
mwana aizodiiko uyu. Pasina nguva Lewis akabva apindawo, vabereki vakadzungaira vese
misodzi ichierera. Lewis akazoti kuna nurse; “Anondinzwa here kana ndikataura naye?”
Nurse vakagutsurira, baba ndokuenda padyo vave kubata mwana wavo kaoko.
“Wake up my boy, Junior let’s go play soccer kani mwana wangu, muka kani sonny, my only
son ......” Lewis akanyarara misodzi yave kuerera. Vakazobuda vondoona chiremba uyo asina
zvakawanda zvaakataura, akangoti; “We thank God mwana wenyu mupenyu, so we hope for
improvement everyday. For now I cannot say anything, ndakamirira tests results.”
Vakadzokera vese, Barbra ndokuenda kuX-ray, uko akandoonekwa kuti haana pakatyoka,
akanzi aizobuda muchipatara pazuva raitevera.
Lewis akarara pachipatara akamirira kuti angangonzwe munana wekuti Junior amuka, asi
hapana zvakadaro zvakaitika. Vakazoenda vese kumba ave mangwanani naBarbra vondogeza
nekuudzawo vamwe vekuchurch kwavo nehama dzavo. Sezvo mwana aive muICU vabereki
vake chete ndovaibvumidzwa kundomuona kamwe chete pazuva.
Ave masikati ambuya Katsande, amai vaLewis vakabva vasvika vese navatete vaBarbra.
Vakagara zvavo vese vakamirira kuti vaende kundoona murwere manheru. Vakandosvika
vabereki vega ndovakabvumidzwa kupinda. Vakadzoka vese zviso zvakazvimba nekusuruvara.
“Ari seiko muzukuru wangu? Zvamangonyarara, ko isu tichandomuonawo rini?” ambuya
Katsande vakabvunza.
Lewis akabva ati; “Ari muICU amai hamupindwe nevanhu vese, hameno pamazuva anotevera
apo.”
Ambuya vakambonyarara ndokuti; “….‘I see you’ ..... ndokuti ndinokuona, ndomachiremba ega
anenge achimuonazve?”
Barbra akaridza tsamwa achitarisa divi, Lewis ndokuti; “Ehe amai, munoenda vanorwarisa
vanongoonekwa naDoctor chete.”
Vatete vakabva vati; “Dai Mwari atinzwirawo tsitsi muzukuru aita zvakanaka.” Vese vakapinda
mumota voenda kumba kwavo.
Vakawana amai Gambiza vakamira nemaPrayer Warriors avo. Vakapinda mumba vese
ndokuimba vachinamata interceding for the Katsande family. Mushure memunamato vamwe
vese vakaparadzana voenda amai Gambiza ndokusara naLewis naBarbra votaura navo.
“You need to pray seriously for your son as parents. Munamato wemubereki ari kurwadziwa
unopa upenyu kumwana wake.” Amai Gambiza vakadaro.
Lewis akagutsurira ndokuti; “I am desperately praying mamma, if I could share the pain
ndaimbozorodza mwana wangu.” Barbra akangotarisa murume wake misodzi yazara mumaziso
achipererwawo.
“We will pray together, the prayer warriors are on chain prayers 24hours, hatinyarare kusvika
Mwari vadzorera upenyu kumwana wavakambotipa in Jesus’ name. Zvakanakai babamunini,
regai ndimbotaura naamainini.” Lewis akabva apa ave kusiya madzimai vari vega.
Amai Gambiza vakambofunga mashoko chaiwo ekutaura nemumwe wavo ndokuti; “pama chain
prayers ndinoda kuve nemi same hour especially the midnight hour tinamatire mwana. Inini
ndinonamata between 12 midnite and 2am. Tonamata ipapo handiti?”
Barbra akambomonya muromo ndokuti; “Ehe baba vaTicha ndonguva yavanonamata.”
“Ndiri kureva imimi as a mother, this is the time yekuchema kuna Mwari nerudo rwese
rwaunarwo pamwana wako, kuti Mwari vadzorere mwana mumaoko ako.”
Barbra akangoramba akanyarara akavatarisa.
“What I mean is, I am your prayer partner, and when I pray for you, handisi kukuonai, I am not
connected to you, ndiri kuti ndikakumbira Mwari kuti ipai amai ava mwana wavo, ndiri kuona
pasina amai vacho.”
Barbra akadzvokora amai Mufundisi ava ndokuvati; “Ah ndokuti chii? Sei muchindiita
sendakaba mwana.”
“No no, amai Katsande, I mean hatisi kubatana pamweya, you said baba vaTicha ndovari
kunamata. Ko imimi? Zviri kuita as if hamusi pavanhu vakagamuchira Jesu, handizive, but
hamusi among the believing saints, ndiri kukushayai pakunamata. Munofanira kugamuchira
Jesu, surrender your life, confess your past sins, then tomira pamberi paMwari pasina
chipomerwa and claim back our baby, ndozvandiri kureva.”
“Ndoreurura chii? Mave muporofita here nhai madzimai Doris, muporofite mafambire aBishop
first, kwete zvekwaKatsande.” Barbra akabvunza zvakavhundusa amai Gambiza, vakaseka
seka kuvhara kuvhunduka kwavo ndokuti; “I mean kupupura kuti Jesus I am a helpless sinner,
pasina Jesu handina upenyu, ndozvandiri kureva.”
“Saka zvekureurura zvabvepi? Hapana kumwe here kungabatsirwa mwana wangu. Zvenyu izvi
zvekungotaura ‘in Jesus’ name’ kasingaperi pasina kana futa kana mvura hayo ah hezvo, it’s
complicated. Ndotoona kana murume wangu makatomupinza mukupusa ikoko. Bishop vaive
nane vainamatira whatever chaunenge waunza, ivo varipiko vandinamatire hangu.”
Amai Gambiza vakafemereka neshungu asi pakarepo vakanzwa mweya wavo uchiti vanhu
vangu vaparara nekushaya zivo. Hosea 4:6.
Vakabva vati; “Kana paine zvimwe zvinhu zvinopa upenyu asiri Mwari akatisika, kana Jesu
wakatifira pachipiyaniso ummmm handizvizivewo ini. Ndiri kutaura zvandinoziva zviri kundipa
upenyu inini.”
Vese vakambonyarara mumwe nemumwe achifunga kuti nhaurirano iyi kwaive kutambisa
nguva, vakazosiyana kuti Barbra ange ave kusvotwa nazvo, amai Gambiza vachishingirira kuti
vaone zvakafanana.
“Dai maita munamato wekutendeuka, makambouita? The sinners’ prayer chaiwo, kugamuchira
Jesu patsva.”
“Inga muneni nhai amai Gambiza, ko zvese izvozvo zvinei nekurwara kwaJunior? Ok,
mangwana paVisiting, moenda imimi nababa vake, inini handinopindi, mondoita zvamuri
kutaura izvozvo tione.”
“Zvakanakai, regera ndinoyeneka vana ambuya ndiende kumba kwangu.” Amai Gambiza
vakafamba vachibva paive pana Barbra. Vakambofunga ndokumira, vakatendeuka
ndokudzokera kuna Barbra ndokumuti; “Mati imimi ndiporofite mafambire aBishop murume
wangu first, yes you are right, ndinoziva mafambire ake ese, kusimuka nekugara kwake,
kupinda nekubuda kwake. Matauriro enyu munenge mune zvimwe zvamunoziva
zvisingazivikanwe nevakawanda pamusoro pake. Asi ndotoshama imimi muchiri kutsvaga
minamato kubva kwaari. Tsvagai Mwari achawanikwa asikana.” Vakabva vaenda Barbra
achisara akashama muromo achishaya zvekutaura.
Pazuva rakatevera, vakazowana mwana abuda muICU, vakafara vese mhuri yese vachindoona
mwana. Tichaona akange akavhura maziso akavatarisa asingabwairi. Chiremba vakazodaidza
vabereki vomwana pakarepo ndokuti;
“Sezvamaona mwana amuka, ave kufema ega uye mupenyu chaizvo. Asi pane imwe problem.”
Barbra naLewis vakatarisana ndokubatana maoko vachitarisa chiremba kuti vanzwe kuti aizoti
chii pamusoro pemwana wavo.
“Your child will never walk again, haachazofambi kweupenyu hwake hwese, unless pakaita
munana unobva straight from Heaven.” vabereki vakatsikitira, chiremba akaenderera;
“Akaita serious brain injury yakaita kuti ave ne condition yatinoti Vegetative state, haana
chaanokwanisa kuzvibatsira nacho, kana chaanokwanisa kuita, kana kukura kwake anogona
kuti ave ne10 years anenge achiita semunhu ane kana 1year. But tichakubatsirai
nekukudzidzisai machengetero amunomuita nazvese zvinoenderana neupenyu hwake hutsva.”
“Ah!!” Lewis akadaro in obvious shock and disbelief. “Junior won’t walk, won’t talk, won’t grow
up, won’t be normal, won’t ..... you killed my son Barbra.” Lewis akadaro ndokubuda muOffice
machiremba. Barbra akazotevera ave ega.
Musi uyu pakave nekuchema patsva, vakatadza kana kundoona mwana wavo, vese vange
vave kumuzeza nekumutya nekuda kwekushanduka kwange kwaita upenyu hwavo vese
semhuri within the twinkle of an eye.
Tichaona akazobudiswa muchipatara, vakaendeswa kumba nemotikari yechipatara nanurse
aizovadzidzisa kuchengeta mwana wavo. Aigara akatsigirwa nemapillow nema cushion,
mutsipa wake waisakwanisa kumira wega, waidonhera chero divi raunenge warerekera, masiriri
aibuda zvisina muganhu, ange asingachakwanisi kuadzora, zvinoreva kuti aitogara akaiswa
katowel pakati pedama nema cushion ake.
Vabereki vakarwadziwa kuona mwana wavo aigara achimhanya nekutamba ave kugara
akarara, zvavaisiya akaita, kurara kana kugara akatarisa divi iroro ndozvavaiwana akaita kana
vaidzoka nyangwe mushure mezuva rese. Vakatangazve kumupfekedza manapukeni. Chikafu
kwaive kungogadzira chainwika nekuti kutsenga ange asingachakwanisi.
Nyangwe zvakadaro, kwaive kumudyisa vakatochingidzira nekuti aisakwanisa kudzorera
mukanwa zvaidonha kana kunanzvirawo sezvaaisiita asati asangana netsaona iyi yakasandura
upenyu hwake.
Shanduko iyi yakaita kuti mumba mugare vana ambuya vakangotarisa mwana murunyararo
kunge vakarinda chitunha. Madzimai matatu vakabatsirana kuchengeta mwana wavo,
muzukuru wavo.
Asi nekufamba kwenguva, vana ambuya vakazoenda kwavo, Barbra amai vemwana ndokusara
ega nemwana wake. Lewis aitarisa ari kure achitya kana kubata mwana wake. Ndangariro
dzezvavaimboita mazuva mashoma akange apfuura ndodzaimubaya. Kudairwa kwemunamato
wavo kwakave kuti haana kufa, asi muchinyararire kudaro vaidemba kuti dai akafa zvake,
vairwadziwa kamwe chete zvobva zvapera zvese, kwavari nekwaari.
Pavakasara vega kudai, Lewis ndopaakanyatsobudisa kusafara kwake naBarbra. Akaregera
Barbra achichengeta mwana ega, haana chaaiitawo kubatsira kuona kuti mwana anofara.
Kunyanya paaiona kuti mwana wacho haasi kumuona haasi kuziva zvakamupoteredza,
akatadza kana kuswedera padyo naye.
Barbra paaidemba kuti dai awanawo rubatsiro kana musikana webasa anomubatsira, Lewis
aisada kuzvinzwa, aimuti; “Ndiwe wakaitisa mwana zvakadaro chengeta mwana wako.” Barbra
ange aonda mukati memazuva mashoma shoma. Kuedza kwake kuona ambuya Mangena kuti
vamubatsirewo kwakashaya basa, vaisaveko, uye kubuda mumba kwange konetsa chaizvo,
Tichaona aisakwanisa kusara ari ega, uye aisakwanisika kuenda naye.
Pese paaigadzira chikafu chemwana, paaigezesa mwana akamurarisa pasi asingagone kana
kutandavadza ruoko, paairegwedesa musoro achitadza kana kuudzora, ndipo pakatanga
Barbra kufunga vana vaakasiya kuMasvingo.
Ari Masvingo aifunga kuti vana vanonetsa kuchengeta nekuti vaisave nezvikwanisiro, asi apa
aive nazvo zvese zvakakwana asi akange ave kuomerwa nekuchengeta mwana wake
waakazvara in all comforts.
Nzendo dzake dzekungofamba achienda mudhorobha dzakabva dzapera, chese chaaida,
Lewis ndiye ange ondomutengera, pamwe aikanganwa, pamwe airegera zvake achiti hazvina
basa.
Nemumwe musi Lewis akati Barbra achangorarisa mwana wavo; “Pane zvandiri kuda kuti
titaurirane Barbra.”
Barbra akagara akatarisa murume wake ndokuti; “Taura ndakaterera, mafungei.”
Lewis akatsikitsira akabata musoro ndokuti; “Ndoda kuti unzwisise kuti neniwo zvakandiomera,
asi ndozvandatofunga.” Lewis akambonyarara, Barbra akamupa nguva yekuti ataure.
“I can’t do this anymore and I cannot keep pretending.” Lewis akadaro.
“Taura kani, chii chausingachakwanisi.” Barbra akazobvunza.
“I don’t want this marriage anymore. To be honest with you handina kumbobvira ndafara kubvira
pakutanga, ndaiedza kushingirira asi now ndazotadza, ndaishingirira mwana wangu, but now
haasisipo. I want you to go. Tora mwana wawakaparadza uyo and leave my house.”
Barbra akazembera musofa achigumbata maoko ake, akanzwa mazihasha uye kutsva
mumaziso akatarisa Lewis. Akatarisa mudenga akavhara maziso ake ndokuzviona achikiya
muswo wepamba apa Lewis naTichaona vari mukati, achitungidza imba iyi vaviri ava
vachitsviramo, ndozvega zvaizoita kuti abve pamba apa, kana zvisina kuitika aipika nevese
vakafa kuti haabvipo.
Lewis paakaona Barbra akanyarara, akaenderera; “I will take care of you. Ndokuisa paPayroll
yeKay’s Computers, kuti uwane salary yekuchengeta cabbage rawakazvigadzirira iro. Ini
ndazvitadza ini.”
Barbra akarereka musoro ndokuvhara kumeso kwake achiridza mhere.
“Iiih baba vaTicha, ungazodaro here, tichiri kurwadziwa tese, ngatishingirirei zvichapfuura,
ndinokuda murume wangu, hapana kwandinoenda, ndinoda imba yangu….”
Lewis akaramba akanyarara achifunga kuti akange ataura zvese zvaive mumusoro make.
Paakaona Barbra anyanya kudemba nekuchema akabva ati; “Don’t make this more difficult than
it is. Upenyu hwako hunonetsa kurarama iwewe, I tried my best, the more I try kugadzirisa
zvinhu, iwewe unenge uchitevera destroying zvese. I am tired, I don’t want to be with you
anymore.”
Barbra akapukuta kumeso kwake ndokuti kuna Lewis; “Ok zvakanaka, ndinoenda hangu.
Handizvimanikidze kugara nemunhu asingandide. Asi ndine nhumbu, ndakatoudzwawo ndiri
muhospital pandakaita accident paye. I am three months pregnant.”

TOO BUSY TO DIE


CHAPTER 24
Stories by: Rutendo L. Nzira
Bishop Gambiza vakatyaira motikari yavo vana Hazel muchinyararire vakananga kuOff the
Hook Lodge kwavaigaroenda vari vese. Vange vave kuvhiringika zvino. Nekutodemba kuti dai
vakaita zvavakataurirwa naHazel kare kare, getting rid of Doris. Ange ovatyisa.
He was not a stupid man, hondo yekudaidzwa naMwari chaiyo aiiziva, iye Isaac akange
amboravira zvakadai izvi pahujaya hwake asi akatadza kumirira nekuterera kuda kwaMwari
akatora short-cut yakamupaEuthenia Ministries. Ndosarudzo yake yaaida, akange asingade
kusandura izvi. Asi akaona kuti mudzimai wake ange asinganeti, Doris ange ave Zisco Steel
chaiyo, simbi inogaya dzimwe simbi.
Chainetsa Isaac aisaziva kuti kana aizoregera Doris achiita sezvaaida, iye Isaac zvaizomusiya
papi. Aitya kuzonzi asiye hwuBishop hwake, ko dai aizonzi dzorera vanhu vese mari dzavo, ko
dai aizonzi pupura icho neicho. Aiziva mitemo yaMwari, aiziva kuti Mwari vanoda zvakachena
zvakatwasanuka. Iye hake maitiro aya akange asingamadi, aida zvaaiita naHazel naBen.
Kushingirira kwaDoris wakange wave munzwa munyama yake.
Isaac naHazel vakasvika, semazuva ese Hazel ndiye aindopiwa room, Bishop Gambiza
vozosveverera sembavha vachipinda.
Isaac akange akanyarara achifunga chiroto change chaita kuti atize kumba kwake. Mashoko
iwayo akaramba achiita maungira munzeve dzake.
Akatarisa zvinwiwa zvaitengeswa apa, ndokubva adaidzira room service yemabhodhoro maviri
eWhiskey yaive ma50% alcohol. Haana zvaakasanganisa nazvo sezvazvaifanira, akavhura
ndokudhudhudzira akazozorora ave kudziirwa zvekutotsva muviri wese.
Hazel akange akatarisa zvake vasahwira vari mugehena rake ega. Izvi zvaimufadza chaizvo
nekuti zvaireva kusawirirana kwababa namai Gambiza kwainge kuri kuenderera. Kana
zvaizofamba sezvaaida, aizovewo amai Gambiza pamazuva mashoma aitevera.
Akabva amuti; “Saka wave kudii manje, but I won’t stop saying ‘I told you so’. Wakapa Doris
mukana wekuziva zvakawandisa nekuita zvaanoda. Wochidii manje zvisingazobvunzwa
navanhu muchurch?”
Isaac akaramba akanyarara achinwa doro rake, aisave nehanya nezvaitaurwa naHazel. Aifunga
kuti ogadzirisana sei naDoris kuti vave nemumba mune rugare vabatire pamwe. Asi hasha
nekuzvikudza zvaimukurira, aida mbiri yake, aisazobvuma kutongwa nemukadzi nyika yese
ichiona.
Pfungwa dzezvakange zvaitika mumba make nechiroto chake dzakamuvhundusa chaizvo, apa
akawedzera kudikitira nekuda kwehwahwa hwaakange achinwa.
Hazel akatora mvura ndokupa Gambiza; “Umm waakutopedza 660ml nhaiwe, of 50% alcohol,”
Hazel akaseka chaizvo, “Ndimbokuonawo wakadhakwa nhasi sweetie. Umm Doris akaoma,
akusvota kusvika wanwa beer so? Madhiri ako ese unosiita uri hwee hwee, iwewe chaiye. I
have known you to be a sober man always, Doris azokudhina manje.”Hazel akadaro ndokuseka
chaizvo akatarisa chikomba.
“Unoita ‘ayayayayaya Ameeeeeeni’ uchisimudza zvirema zvekwaSweetman usina kana
kudhakwa, uchitaura ndimi dzekunyepa uri 100% sober, nhasi kwaitikei ” Hazel akadaro
ndokubvisa mbatya dzake achizvikanda pamubhedha achifa zvake nekuseka.
Isaac akaisa bhodhoro rehwahwa pamuromo ndokupotsa muromo wake, maoko akabvunda
akambonwa hwahwa hwake ndokurovanisa mazino, hwahwa hwuchiyerera kubva mukanwa,
maziso achitadza kunyatsosvinura.
Hazel akaseka zvakare achirova Isaac kumusana; “Iiiiih shamwari, wadhakwa wena.
Chiregera.”
Isaac akadonhedza bhodhoro rehwahwa pasi, rakatotadza kuputsika nekuda kwecarpet
yaivemo. Akaedza kusimuka kuti afambe achienda kuchimbuzi, ndokubvunda muviri wese
achitadza kusimudza makumbo ndokudonhera pasi ndokurarapo kwekanguva akanyarara.
Akabva azogomera achizvinyorevesa bhurugwa, akange atadza kuenda kuchimbuzi.
Hazel akaridza tsamwa achimupfura negumbo; “Iwe shamwari wave kuzondisvota manje,
ndozvawandidaidzira kuno kuzoona shura rakadai rekuzviitira mubhurugwa murume mukuru?”
Isaac akagomera ndokuedza kurutsa akarara kudaro asi hapana chakabuda. Akapfiza pfiza
ndokuti tasa, zii.
Hazel akaridza mhere, asi nekuti room yavaigaropiwa yaive kure hapana akamunzwa.
Akabata bata murume asi hapana chakaitika, akafunga kuti chiiko ichi, kufenda here?
Kudhakwa here? Kana kuti ndiko kufa kwacho? Mukadzi akarohwa nehana. Akapfeka mbatya
dzake maziso ari pana Bishop weEuthenia Munistries uyu aitandadza.
Hazel akatora makey emota yaIsaac ndokubuda, akasvika paReception ndokuti; “Ndipe
pekunyora, ugopa Manager wako.” Akabva anyora nyora ndokuti; “Check Room 17, mudaidze
ivavavo vandanyora pabepa apo.” Akabva abuda oenda nemota yaIsaac. Achisvika mumba
make pakati peusiku, akafonera Ben achimuti apinde munzira kuuya kuHarare usiku ihwohwo.
Musikana wepareception apa akatadza kunzwisisa zvakange zvataurwa naHazel. Akakanda
kapepa kaye padivi ndokuenderera mberi nebasa rake raaiita paComputer yake, sezvo kwange
kwadoka chaizvo, uye kuchitonhora chaizvo, receptionist aikotsira akaisa zvake heater
paaishanda ari apa.
Ave mangwana mangwanani, pavaichinjana basa remangwanani paLodge apa veusiku voenda.
Ndopakasvika Manager wavo, musikana aishanda paReception akabva ati; “Makasiirwa
message iyi nasisi vaye vanogarorara muRoom 17.” Manager akatora kapepa kaye
ndokuverenga achidaidzira achiti; “Mrs Doris Gambiza room 17. 0773 ….. blah blah chiiko ichi.
Andisiira number dzake pane zvakakanganisika here muRoom 17?”
Manager akadaro ndokusimudza fone yaive apa ofona muroom 17, fone yakarira asi haina
akadavira. Manager akamboraira vashandi basa, ndokuenda kuOffice kwake.
Pasina nguva mumwe mushandi wevaitsvaira apa akapinda muOffice maManager
achifemereka chaizvo; “Mu room 17 mune munhu akafa boss huyai muzoona.” Vashandi vese
vakamhanyirako ndokundoona Bishop Isaac Gambiza akaisa musoro mumarutsi ake imba yese
ichinhuhwa.
Amai Gambiza vakamuka vakafara zvavo vachiimba nziyo dzekukudza nekusimudzira zita
raMwari Mambo wavo. Zvekusadzoka kumba kwababa vaTafadzwa vakange vazvijaira, vaiziva
kuti nemumwe musi vaizodzoka zvavo kana Mwari atendera. Amai vakaperekedza mwana
wavo kuchikoro, pavakadzoka, vakasangana nemushandi wekuBedzanyota pagedhe pavo aine
Range Rover yaBishop Gambiza.
“Ndatumwa nababa nemota iyi kuti ndizoisiya pano.” Mutyairi akadaro achitambidza amai
Gambiza makey emota.
“Ko ivo vasara kupi?” Amai Gambiza vakada kuziva.
“Uuummm izvozvo handingazive, ndangotumwawo naBoss.”
Mai Gambiza vakambofunga ndokuti; “Akupa mota iyi ndiani? Awataura naye achikutambidza
makey emota iyi ndiani?”
“Ndi Boss Hazel. Baba Bishop handina kumbovaona” Mutyairi akadaro akatarisa pasi. Amai
Gambiza vakatora makey emota aye ndokupaka mota yemurume wavo muGarage mayo
ndokupinda mumba mavo.
Pasina nguva vange votaura naMai Nyandoro pamusoro pemuchato wemwanakomana wavo
naIsabella waiveko zuva raitevera racho. Vakaronga kuzosangana pawaiitirwa kuti vaone
zvairongwa neCatering Company yaishongedza nzvimbo iyi uye kubika chikafu.
Vakabata cellphone yavo kakawanda vachida kufonera Hazel kuti vambomutukirira
nekuvajairira kwaairamba achiita asi nguva dzese vaigumira munzira. Vainzwa hasha
vachifunga zvingave zvakaitika nezviri kuitika zvazoita kuti motikari yemurume wavo igume
yave naHazel.
Pavange vave kubuda kuti vachienda kundobatana nemhuri yekwaNyandoro kugadzirira
muchato, vakabva vafonerwa nenumber yavaisaziva.
“Ndingataurewo naMrs Doris Gambiza?” Inzwi rakadaro.
“Yes, ndini, ndokubatsirai nei?” Doris akadaro achidzima engine yemota yaange amutsa kuti
achibudawo.
“Pane murume akarara paLodge pedu, ID iri kuti Isaac P. Gambiza, tapiwa cellnumber dzenyu
nemumwe mukadzi wavaive naye. Mungavazivewo.”
“Yes he is my husband, ari kupi?”
“PaOff the Hook Lodge, 50 km outside Harare, along Mutare road, we tried first aid asi he is still
unconscious, toita sei.”
“Ok I am sending private ambulance services right away, thank you.”
Doris akadaro ndokufona kuAvenues Clinic kwaive naChiremba wavo. Akabva aendako
ondomirira kusvika kwaBaba vaTafadzwa kwavaindotorwa neAmbulance*****
Hazel akange akagara muOffice make mangwanani ezuva iri hana ichirova chaizvo, ange
akamirira phone mbiri, yaibva kuna Ben achiti asvika muHarare neyaibva kuna ani zvake ichiti
Bishop Gambiza vawanikwa vakafa in a Guest House.
Aibata bata fone achiramba achifonera Ben, akange anonoka chaizvo kusvika pane
zvaaitarisira. Uye cellphone yake yange isingachabatiki. Aipinda muoffice make achifona fona
kunyanya kuBank, aifona akavhara musuo wake zvekutokiya chaiko. Hapana aifanira kunzwa
achironga naBank Manger kuzotora mari pasina imwe Signature, kana zvainetsa paizove
neyekunyepa.
Vashandi vepaBedzanyota vakachiona musi uyu, Bosslady vakange vasingakwanisi kugara
pasi, apa vakapfeka mapatata, musoro usina kukamiwa, kumeso kusina kugezwa. Mukadzi uyu
aizikanwa nekugeza nekupfeka zvainge zvemuTV nguva dzese, asi musi uyu runako rwake
ndorwakamira mira kuti atarisike zvakanaka.
Akange asina kugeza uye akatsamwa chaizvo, hasha nekuvhunduka zvaitonga paari. Asina
kutukwa musi uyu ndiye aitove nemunyama, vashandi vese vakazopedzisira vaungana vave
kuseka sezvo vese vaitukwa nekupopoterwa vakazoona kuti paive neimwe nyaya isinei
nezvaiitika.
Akagara kudaro, Hazel akabva afonerwa naBarbra;
“Chii?” Hazel akadaro achidaira cellphone yake.
“Ah sisi kwakanaka here, asi makarwa nabamukuru. Ndipeiwo number dzaSweetman pane
zvandoda kwaari.”
“Ok ndokutumira now. Ko hanzii nemurume wako?” Hazel akadaro achitsvaga kuti pane
zvavanzwa here zvekwaGambiza.
“Aenda kubasa and iih, rough iyoyo, since kukuvara kwemwana ndave kunge ndiri kurara
nehanzvadzi yangu, ndozvandiri kuda kuti Sweetman andibatsire. Zveuchirikadzi murume aripo
haaa kwete inini.” Barbra akadaro achida kuwana wekumbotaura nhamo yake naye.
Hazel akafinyama achitarisa fone, aisave nenguva yekuterera vane nhamo dzekutamba idzi,
akafemereka ndokuti; “I mean hakuna nyaya dzekuchurch dzawambonzwa here, dzambotaurwa
naLewis here?”
“Hoo eheka dziripo sisi…..” Barbra akaseka chikwee chake ege chekuGrowth Point. “Hanzi
Isabella ari kuchata mangwana, ngaaende ngaaende, murume ave wangu zvachose
handichacheuki, dai akabva azvara matriplets katatu kese hehehehe.”
Barbra akazopedzisa kutaura fone yanyarara, paakatarisa akabva aona message yaive
necellnumber dzaSweetman.
Hazel paakapedza kutaura pafone, Ben akabva apinda.
“Gules, kwakanaka here? Sei kundimhanyisa so? Cellphone yamukoma haisi kubatika,
matiiko?”
Hazel akandovhara musuo wake, akambobata kumeso achitadza kutaura, akabwaira bwaira
misodzi ndokuti do do achiti; “Isaac akafa nezuro kuOff the Hook ndokwataive, hapana ari
kuziva, maybe mukadzi wake achaziviswa nhasi. Pane zvatofanira kuita first tozoteverera
kuLodge and kumba kwake.”
Ben akaramba akashama muromo; “Bro G whaaaaaaaaat!! How? Why?”’
“Shut up, stop screaming, like I said hapana ari kuziva. Hande kuBank, we need to get all that
money from the Cashloan Account and the church accounts Bank risati ratanga zvemaDeath
Certificate and Estates from the wife. Handei ndaita appointment naBank Manager, and
managed to pull a few strings.” Vaviri vakabuda zviso zvakasungwa, vakasvika kuBank
ndokutaura nyaya yavo, vaingoda kutora mari vachindoisa to other investment accounts.
Vakakwanisa kupiwa yese yaive muCashloan Account, ndohwaive upfumi hwese hweupenyu
hwaIsaac Gambiza. Church Account Bank Manager akati yaida kuti amai Gambiza vasaine,
ndovega vakange vanyorwa naIsaac Gambiza semutevedzeri wake paAccount iyi. Hazel
akaridza tsamwa vachibuda asi akange awana mugove wake pamari dzaakange abatsirana
naIsaac naBen kuunganidza.
Vakadzokera kuBedzanyota, vari munzira kudaro, Hazel akafona kuOff the Hook Lodge uko
akataurirwa kuti pane ambulance nemapurisa vange vauya kuzotora munhu mangwanani
iwayo, asi hapana zvimwe zvaizikanwa pamusoro pezvazoitika kumunhu iyeye. Vese
vakagutsikana kuti mapurisa anoreva kuti paita chitunha, asi ambulance urwere, saka chii
change chaitika kuna Isaac Gambiza?
Vakasvika paBedzanyota vaisa mari yese mubhokisi ravaive naro, vakasvika vachigovana Ben
ndokudzokera kuMasvingo, vese vakabvumirana kuti vaisafanira kuonekwa vari vese panguva
yakadai iyi*****
Barbra akafonera Sweetman ndokumudaidza kuti auye kumaraini kwavo kuMabelreign sezvo
aisakwanisa kubuda achisiya mwana ega kwenguva refu. Sweetman akawana akamirirwa
naamai Ticha panze chaipo, avo vakangokurumidza kupinda mumota make ndokumuraira imwe
kona yekundomira kuti vataure nyaya yavo.
“Ndoda mushonga wemusana”Barbra akadaro.
“Iwe shamwari, wandibvisa Chi-town kwese uko kuti uzotaura zvemusana wako, paMabelreign
Pharmacy hapana painkillers ese. Be serious iwewe.” Sweetman akadaro achiratidza kusvotwa.
“Usaite semwana mudiki, ndoda mushonga wechiboy, unoita kuti murume aite mhuka chaiyo
inoda bonde zvakapfurikidza.” Barbra akadaro. Sweetman akaseka zvekuchema misodzi.
“Havasi kufaya here blaz Kay? Ingouyaka kwandiri, ungatsvagire mushonga wezvinhu
zvinogonekwa chero nabeggar ari muverandah pamashops apo here? Asi vakasungwa nesmall
house?”
“Uri kutaura zvisina maturo. Ndini small house yacho mhani damn it. Unomuwana here?” Barbra
akadaro achicheuka cheuka, aive asina nguva.
“Ok ok, am serious now. Taura nyaya yako mushe kuti ndinosvitsa kuvaridzi vemishonga
zvakanaka.”
“Ndati ndoda mushonga unomupa highest libido, kuti nyangwe ari kubasa atadze kushanda
atombodzoka kumba, ndoda kuita nhumbu this week. Wanzwisisa?” Barbra akatsanangura.
“Vakadziwo futi? Ko pawakaita mwana wekutanga wakamboshandisa mushonga here?”
Sweetman akadaro achidhonza fodya yake ndokufuridza chiutsi kuna Barbra. Mukadzi
akakosora achimhiza maoko ake nekuvhura window remota.
“Akatsamwa mazuvano haasi kundibata, so anofanira kutongwa nenyama yake, iwe detail rese
unoridiiko. How much are we talking about here? Name your price undotora mushonga ubva
wauya nawo before kuchaisa kwevanhu kumabasa. And ndoda unoiswa mufood. Tora $50
ndokupa imwe wadzoka. Hande unondisiya kumba.”
Sweetman akaseka achidzungudza ndokutyaira mota yake ondosiya amai Katsande pamba
pavo, ondoita zvaange atumwa.*****
Amai Gambiza vakange vakamirira chiremba kuti vanzwe urwere hwemurume wavo, hana
yairova chaizvo nekutya kuti angangonzi atofa. Vakazodaidzwa vave kundoona baba
vaTafadzwa vakarara.
“Mrs Gambiza, baba vaita alcohol poisoning yavapinza muComa, but it’s not something serious,
by the end of the day vanenge vave ok.”
“But nhai Doctor, you say its something simple saka maTube ese aya ndeechii? Vave sekuita
munhu asingagone kuzvibatsira.”
Chiremba akavanyemwerera ndokuti; “No mamma, don’t worry, because there is too much toxic
alcohol of high percetange in his system, that tube is for fluids given through a vein…. What we
call intravenously, to prevent dehydration. I also prescribed some extra vitamins and glucose to
prevent serious complications.”
Mai Gambiza vakagutsurira vave kuswedera padyo vachivhura nemukati memagumbeze kuti
vaone zvimwe zvange zvakatungirwa murume wavo.
Chiremba vakabva vati; “ sezvo vasingakwanise kumuka, he is still unconscious, the catheter
will drain the urine so that he won’t wet himself. We also flushed out everything that was in his
stomach. He will be fine soon.”
Mai Gambiza vakadzungudza ndokuti; “ So Doctor, you mean, my husband ari kurapwa
kudhakwa, kudhakwa chaiko muchipatara? Honestly?”
Doctor vakaseka ndokuramba vakanyarara. Pave paya vakazoti; “Eh mamma Gambiza, Bishop
kana vari muno he is a patient, that’s all. Don’t worry, I will make sure this will be treated with
utmost privacy and confidentiality. End day tomorrow he will be home.”
Mai Gambiza vakabuda voenda kundogadzirira muchato wekwaNyandoro, vaive nemibvunzo
yakawanda pamusoro peurwere hwemurume wavo asi hapana kwavaikwanisa kuwana
mhinduro.
Sekutaura kwange kwaita chiremba, kuti yaive secret kuti mubhishopi wesangano rechiKristu
vangarapiwe kukoriwa nehwahwa. Amai Gambiza vakafunga kumbonyarara kusvika adzoka
kumba pazuva raitevera.

TOO BUSY TO DIE


CHAPTER 25
Stories by: R. L. Nzira
Amai Gambiza vakazodzokera kuchipatara manheru emusi weMugovera mushure memuchato.
Vakandoshama kuwana pamubhedha paaive angove machira chete. Hana yakarova
ndokucheuka cheuka vachitsvaga wekubvunza. Vakazodzokera kwaive nanurse aive paDuty
Post, “Ndiri kutsvagawo vaGambiza vange vari pabed …..” mai Gambiza vakapedzisa zvavaida
kutaura nekunongedza.
“Oh ok, the Bishop, vaiswa under close monitoring, not ICU as such, but zvavange
vachitarisirwa kuti vaite nhasi havana kuita that progress and improvement so vaitwa mamwe
matests. Uyai muvaone vari kuno.”
Vese vakafamba ndokundowana paina Chiremba Danda wavakange vataura naye zuva
rekutanga racho, uye mamwe machiremba echikuru maviri aive akatarisawo murwere.
Machiremba vakambopedzerana zvavaitaudzana nemutauro wavainzwana vega pamusoro
pemurwere, Dr Danda ndokuzotsanangurira amai Gambiza.
“Eeh mamma, I really don’t know how to explain this, ndosaka maona ndadaidza our Senior
Doctors. Baba is fine, all alcohol has been flushed out, his system is clean, alcohol free, taita all
tests. Imimi neni tinoziva kuti baba led a healthy life, even zvehwahwa zvinenge zvaive
zvanezuro chete, unless zvakamboitika?” Chiremba vakapedzisa nekubvunza
Amai Gambiza vakadzungudza vachifunga, “not that I know of.”
Chiremba akamboverenga zvakange zvanyorwa nevamwe vake ndokuenderera. “Taita all tests,
everything that can be expected in Medicine. Hapana chatawana, so I don’t know why he
remains unconscious. Sezvamuri kuona, vari kufema vega, but havasi kumuka and he is not
aware of his surroundings, vari kuita semunhu akarara. So the Doctors vati let’s give him more
time, maybe the alcohol was a bit too much for him since he is usually sober.”
Mai Gambiza vakaramba vakanyarara. Vakange vauya vakarongedzera kuzotora baba
vemwana asi vakazviona vave kubuda vega vodzokera kumba kwavo. Tafadzwa ange
akamirira kuuya kwaBaba vake akangotarisa amai vakasuruvara vachipinda mumba mega.
Vakabva vafonera sekuru naambuya Gambiza kwaMutare, nekufonera Pastor Dube kuti
vagadzirire kuparidza zuva raitevera.
Pazuva rakatevera, amai Gambiza vakafumira zvakare kuchipatara. Vakandowana murume ari
zvaaive nezuro wacho, asi varapi ndovaingoti; “he is stable, he will be fine soon.” Zvange
zvisisina zvazvinoreva kwavari, how stable is stable? Kamwe kapfungwa ndokakazovati; yes
Isaac maybe stable physically, but is his spirit stable? Vakatadza kuzvibatanidza.
Doris akagara 2 hours dzese akangotarisa baba vemwana wake vachitadza kana kusvinura
ziso rake. Pfungwa dzake dzakamhanya kubvira zuva rekutanga chairo ravakasangana
nemurume uyu, kumuremekedza kwaaiita paaiuya nebag remari yeEuthenia Ministries.
Kurohwa kwaakaitwa nehana achinzi naMufundisi ava mumwe musi achaisa ndauya
kuzokutora ndikuperekedze kumba kwako. Kupfimbwa kwake by this servant of the Lord, all
was a fairy tale yaaida kudzokorora kweupenyu hwake hwese.
Kumuda nekumukudza kwaaimuita kwakaita kuti asaone zvimwe zvinhu zvaisanzwisisika
zvaiitwa nababa ava mumba. Kubuda mumba usiku, kundosangana nevamwe vanhu vaisave
vekuchurch, deposits slips aive nemari dzakawanda chaizvo dzaaisazoona kuti dziri kupi, uye
dzashandei? Kuti ndozvainzi Hazel anotoshandira Ministry zvakanyanya kupinda iye amai
Gambiza?
Nedzimwe nguva mumba maiuya mapasuro ainge gold kana drugs, mutemo waIsaac kubvira
musi wavabva kuHoneymoon waiti chandisina kukuudza siyana nacho, be my wife, wochengeta
mwana wedu, vabereki vedu neimba yedu, zvimwe siyana nazvo.
Kana paakazotanga kuita mamwe mabasa muchurch akazvitangira ega ave kuona kuti ave
kuitwa chidhori chinogezeswa chopfekedzwa zvakanaka chogara padivi paIsaac chisina
zvachinoita.
Nekuti aipiwa zvese zvaaida, akange asina hanya nezvakawanda, aifara kuve amai Gambiza,
mudzimai waBishop vaityiwa nekukudzwa nevakawanda. Kana pavaifamba mudhorobha
vaifamba vakabatana maoko nguva dzese vachikwaziswa nevanhu vese vese, zvaifadza uye
zvainakidza chose.
Mukadzi akafemedzeka achifunga kuti zvese izvi was fake, a lie, and a business stunt.
Akatarisa zvakare baba vaTafadzwa achiedza kufunga kuti chii chaizvo chaiitika kwaari.
Murume uyu akange achirarama sevanhu vaviri, aive nehunhu hwaisanzwisisika kumudzimai
wake.
Nyangwe apa pakutsamwa kwake nehasha dzake nekurwadziwa nezvakange zvaitika pakati
pavo, Doris akatarisa murume wake akaona kuti anomuda. Pakugara kwavo vese akange
apiwa rudo nerukudzo rwaamai vemumba zvekuti haana kumbofungidzira kuti pangave
nezvimwe zvakakura kudai zvaiitika kunze kweimba yavo. Zvange zvave kuitika apa ange ave
mabasa aMwari, Jehovah pachavo vakange vafunga kutwasanudza Isaac kuti ave munhu
mumwe chete.
Mukadzi akabwaira bwaira achifunga musi waange akamira pamusuo weOffice yaHazel
paBedzanyota akatarisana nevaviri vaakange awanikidza. Doris akapukuta kumeso kwake
kunge aida kudzima mifananidzo yacho yese mupfungwa dzake asi haina kuenda,
yakatonyanya kubuda zvekuti akaona mbatya dzemukati dzaHazel dzaive dze white nekumira
kwadzange dzakaita pafloor muOffice umu. Trousers raIsaac rakange rasara rakamira
nemakumbo aro rakasimbiswa nebhande, rakaungana pasi, masokisi ari mukati, makumuriro
aaiita mumba mavo chaiwo iye mudzimai achizotevera achinhonga achirongedza.
Zvese izvi zvakadzoka kwaari zvichitonyanya kujeka. Ndozvakazoita asimuke ndokumbotarisa
Isaac kumeso, akabata murume wake dama mweya wake uchiti; “It is well” asi nyama yake
yaida kumbomumutsa nembama kuti shungu dzezvakange zvamhanya mupfungwa dzake
dzipere.
Doris akadriver oenda kuFaith Ministries, akange afunga kundopinda service yemusi uyu ikoko.
Akawana muchurch mese makazara vanhu kunge muchato waienderera zvakare. Akagara
kumashure padyo nemusuo, pasina nguva mumwe wevakomana vaitambira vanhu akabva
auya ondomuratidza chigaro chaive kumberi kwaive naamai Nyandoro. Akasvika service yave
kutopera, muparidzi ange ave kutotaura mashoko ekupedzisira.
Mushure meAltar call, vanhu vachinamatirwa naPastor vakange vaparidza uye naamai
Nyandoro, pakazouya Church Secretary opa zviziviso zvakasiyana siyana zvemusangano iri.
Akazokorokotedzawo Pastor David nemuchato wavo wakange waitika zuva rakange rapfuura.
Pashure akazodaidza amai Nyandoro kuti vataure, amai vakasimuka vakafara chaizvo
zvaionekwa nemunhu wese.
“Ndinotenda Mwari pamusoro pemuchato waPastor and Mrs Nyandoro, thus graduating me to
ambuya Nyandoro, zvinorevawo kuti zvakawanda zvave kusanduka, muno musangano,
nekuConference Centre.” Amai vakambonyarara vakatarisa mwana wavo nevanhu vese
musangano umu.
“I am stepping down as the Director of the Conference Centre, Pastor David will be the Director
of the Conference Centre and also the senior Pastor of Faith Ministries. Mrs Isabella Nyandoro
will be the Programs Manager at the Conference Centre.” Vanhu vese vakaombera vachifara
nekupembera, amai Nyandoro vakaenderera,
“Asi basa rangu muchurch handiregere, ndinoita zvese zve deliverance uye kuConference
maSeminars ndinenge ndichiita zvese sezvandaingoita, hapana chasanduka.”
Vanhu vakaombera zvakare. “Asi Svondo rino Pastor and Mrs Nyandoro will be on honeymoon,
vanotanga basa after 2 weeks, timbovapa nguva yavo.”
Vanhu vakaombera zvakare ndokubva amai Nyandoro vazoti; “PaConference mwedzi uno tiri
kuita Health issues, tiri kutanga maSupport Groups.
1st week topic is about Living with HIV/AIDS in the family. Kana baba naamai mabatwa kuti
mune utachiona, zvisinei kuti ndiani aunza chirwere mumba, munorarama sei zvakanaka,
munoregererana nekunamata sei mese kuti murambe muri mhuri imwe chete.”
Reverend Nyandoro vakambonyarara, vachitambira mvura yavaipiwa naUsher.
2nd week Children living with disabilities. Apa totaura nevabereki vane vana vanorarama
nehurema, mungave makamusununguka akaremara kana kuti akazoremara akura.
Munobatsirana sei semhuri to adjust, tolerate and love mwana wenyu, and believe in God for
better for worse.
3rd week will be about Bereavement Counselling, tinoda vanhu vese vakafirwa vari kutadza
kuzvigamuchira kuti hama yangu yakatoenda zvachose, vaye vari kurarama vachiti dai
ndatofawo.
In the 4th and final week, I want to meet wives, and we will discuss the Power of a praying wife,
how to pray for a difficult husband, difficult in-laws, zvakadaro izvo. Am glad to introduce one of
our Guest speakers vari pano nhasi, Mrs Doris Gambiza, munovaziva mese, wife to the Bishop
and Founder of Euthenia Ministries. Ndovachadzidzisa mamwe madzimai nezvesimba
remunamato mumba. Simukai mai Gambiza vasingakuzivei vakuonei. That young woman has a
lot to share, God is using her zviri kundityisa kana inini, amen.”
Amai Gambiza vakasimuka vanhu vese ndokuvatarisa vachiombera.
Mai Nyandoro vakabva vati; “Saka mongoita semazuva ese, kana paine seminar yamunoda,
mokurumidza tisati taendesa kumaNewspapers, Tv and radio, nekuti tagara we have limited
places. Ese maSeminar emwedzi uri kuuya aya andange ndichitaura anenge akachipa chaizvo
unlike mamwe ese. Nekuti aya are subsidized by Pastor and Mrs Nyandoro.”
Vanhu vakamboombera vachitenda vabatsiri vavo. Amai Nyandoro ndokutsanangura vachiti;
“Pastor Nyandoro vari kuti inyaya dzinobata upenyu hwemunhu, pane mumwe ari in such a
situation at the verge of giving up, saka meeting yakadai iyi inogona kumuraramisa saka hatidi
vanoti ndakafa nekuti ndakashaya mari yekuenda kuConference kwacho. Kana paine vane
mibvunzo mozofona mangwana kuConference Centre mopiwa details. Can we have a closing
prayer, Pastor Nyandoro.” David akasimuka ndokutora microfone opa munamato
wekupedzisira.
Vanhu vese vakazobuda vave kukwazisana vachienda kudzimba dzavo. Amai Gambiza havana
kunyanyomira apa, vakangokwazisa mhuri yekwaNyandoro ndokuenda kumba kwavo
vondogadzirira kuzoenda kuchipatara manheru aya. Vaitarisirawo kusvika kwanasekuru
naambuya Gambiza.
Svondo rakatevera, Barbra akange awana mushonga waaida kubva kuna Sweetman.
Mushonga uyu wakashanda sezvaaida chaizvo nekuti baba vakatoita mazuva maviri vachitadza
kuenda kubasa, uye vachigara vari mumba mekurara. Paakaona zvichimufambira, akadzikisa
chipimo kuti vadye usiku hwega vaone kuswera vachishanda. Izvi zvakabatsira vese
kumbogadzirisa imba yavo sezvo vange voswera nekuve vese zvakanyanya. Vakakwanisa
kutaurirana nekuregererana pane zvange zvaitika pakakuvara mwana.
Musi weChishanu weSvondo iri, Lewis achangoenda kubasa, Barbra akafonera Sweetman
ndokuti; “Thanks sha, unoziva basa rako, ndosaka sisi Hazzie vachikufarira.”
“Zvakaitaka? Ndofadza customer inini, all the time.” Sweetman akadaro achizvida chaizvo
seaitengesa mushonga weupenyu hwusingaperi.
“Ndakato reducer dosage ndaona kuti ndingatyorwa musana, but zvandaida ndofunga
zvakafaya, ndoita tests next week ndobva ndaenda kushopping yematernity dresses ne pizza
everyday for sisi vaTicha coming soon.” Vese vakaseka vachifarira kubudirira kwavakange vaita
pabasa ravo.
Musi uyu Lewis akakurumidza kudzoka kubasa, akadungamidzana namai Gambiza. Vakasvika
vese ndokugara pasi.
Asi amai Gambiza vakangonanga pasofa pakange pakagara Tichaona, vakamubata maoko
nekumumbundikira vachimurarisa pachipfuva chavo nekugadzirisa magumbeze nemapillow ake
kuti anyatsogara zvakanaka.
Vakataura naye vachizvipindura vega zvavaifunga kuti angadai akavapindura dai aikwanisa
kutaura. Vachiseka naye kissing him all over nekumubata maoko ake vachiatwasanudza
zvinyoro nyoro.
Vese Lewis naBarbra vakavatarisa vakashama miromo, hapana muenzi akange ambovaitira
zvakadai, vazhinji vaitoti vachisvika, vaitarisa mwana vachivhunduka, zvekuti mwana aibva
atoendeswa mumba mekurara.
Vakazotaura nevabereki ava mushure mekanguva vambopedzerana naTichaona, uyo ange
azorora mumaoko aamai Gambiza.
“Do you know Conference Centre yeFaith Ministries? Iri kuBelvedere, vari kuita Seminar about
Children living with disabilities. Ndafunga kuti mungangoda kuenda, mondosangana nevamwe
vabereki vane vana vakaita samukoma Ticha. If you share experiences munoona kuti
zvinoreruka uye munove nekunzwisisa nekuwana ruzivo rwakawanda pamusoro pemwana
wenyu.”
Barbra naLewis vakatarisana, Barbra achibva ati; “Inga zvakanaka izvo, especially for you baba
vaTicha, mufunge mamma, Lewis haasati abvuma zvave mwana izvi. Ngaaende kundotaura
nevamwe vana baba vanorera vana vavo zvirema.”
Lewis akaramba akanyarara amai Gambiza ndokunyemwerera vachiti; “Ndange ndichida kuti
muende mese ndozvakanaka.”
“Agosara nani iyeyu inini ndichitadza kana kubuda kundotenga chingwa?” Barbra akadaro.
Amai Gambiza vakabva vati; “Ndosara naye inini, munouya muchimusiya kumba kwangu
makuseni mozomutora manheru, handiti isvondo rimwe chete?
Asi mukasangana naamai Nyandoro, your life will never be the same again. And imimi you are
blessed munondovaona muri mese, inini ndakandovaona ndega vaGambiza vasipo saka
kuvatsanangurira zvimwe zvinhu kwainetsa.”
“Asi muporofita mai Nyandoro vacho?” Barbra akabvunza.
“Ehe vane zvese prophecy, word, guidance. She will surely change your life, munove pedyo
naMwari zvamange musati mamboita.” Amai Gambiza vakatsanangura.
Lewis aingogutsurira akatarisa amai Gambiza, aiterera zvavaitaura uye kutarisa Tichaona ange
anyatsozorora akasvinura akanyatsoti kwati kwati pachipfuva chaamai ava. Akaonawo kuti
mwana wake kunyange zvake aisakwanisa kuita zvizhinji, asi pameso pake pairatidza kufara
kana kusuwa kana kutya. Apa akaona kuti mwana airatidza rugare nerudo rwaange aratidzwa.
“Ok mamma , tinoenda, kwamuri ndave kuziva kuterera zvamunenge mataura, zvese
zvamunotaura hamutaure nhando, I will never take you for granted or argue with you. You are a
servant of God. Ndinotenda mamma.” Lewis akadaro.
Vasati vapindura, Barbra akati; “Vanoporofita seiko? Semapostori aye anongonongedza vanhu
pajekerere votanga kudonongodza zvavasina kubvunzwa? Nezvakaitika was
zvinongoropodzwa, ndizvo?”
Lewis akabva apindura mudzimai wake;“Mai Ticha zvine basa rei izvozvo? Kana mamma
Gambiza vachiti tinondobatsirwa ikoko, it means vanoziva kuti the Holy Spirit will be at work.
Tondozvionerako.”
Barbra akadzungudza, “Ndezvariniko izvi towards end of month handiti?”
“Ehe 21 – 24 this month.” Amai Gambiza vakadaro.
“Tozoona kana mazuva acho asvika.” Barbra akadaro, amai Gambiza naLewis vakatarisana
Lewis achidzungudza.
“Ok, ngatinamatei ndibva ndaenda.” Vakasimuka vese amai Gambiza ndokunamata, munamato
wavo wakazorebesa nendimi nendimi zvekuti Lewis akange akasimudza maoko akamadzikisa,
Barbra akange akamira akagara pasi, Tichaona ndokukotsira pavakange vanyatsomurarisa
nekumutsigira zvakanaka kuti vanamate.
Amai Gambiza vakagara pasi zvakare ndokuti; “Garai pasi baba Katsande, I have a few words
for you. I understand kuti kurwara kwemwana kwakakukanganisai chaizvo. Asi Mwari vari kuti it
is well. Jesu vari kuti vabvumidzei mumba menyu muone zvavanokuitirai.” Lewis akagutsurira
achitarisa mwana ange arara with a smile on his little face.
Barbra akatarisa amai Gambiza ndokuti; “Ndozvatotaurwa naJesu wacho ipapa, izvozvi ipapa?”
vese amai Gambiza naLewis vakashaya kuti vopindura kuti chii saka hapana akapindura.
Lewis akabva ati; “Mazuva ese ndaibvunza Mwari kuti why, and I was blaming amai vacho,
zvichiri kundinetsa mamma.”
Amai Gambiza vakabva vati; “This is a test for love. I don’t know kana paine zvimwe
zvakamboitika muupenyu hwenyu asi muedzo uyu uchaburitsa kuti mune rudo rwakadii mukati
memoyo yenyu. Mwana ndewenyu mese, God is testing you for love, if you pass this test pana
Ticha, muchaona Mwari vachikunyaradzai chaizvo. Nekuti pane dzimwe nguva dzatinotadza
kuda nekuchengetedza zvinhu kana vanhu chaivo vatinenge tapiwa naMwari, if we neglect
such, Mwari havafare nazvo, inozouya yave test hombe. Saka kuti tigadzirise ukama hwedu
naMwari, this long suffering is necessary and it’s also a gift of the Holy Spirit, Who is also a
Comforter to take us through.” Mufundisi vakatsanangura.
Vese Barbra naLewis vakambonyarara mumwe nemumwe achifunga upenyu hwake. Lewis
akabva ati; “Maybe I have to go and apologise kuna Isabella, handina kumbotaura naye
paakaita still-birth yemwana wedu uya. Kuti zvingave nechekuita necondition yaTicha here?”
Amai Gambiza vakabva vati; “As the Spirit leads, maybe kutouya kwazvaita mupfungwa
dzenyu, it’s something chinokunetsai, if it gives you peace of mind then do it. And handiti you
know kuti she is now married. Motora necessary procedure musangonanga mudzimai wemunhu
nenyaya dzenyu.”
“Its fine mamma, munondiperekedza kwavari vese nemurume wake, if I have to do that kuti my
Junior ararame then so be it.” Lewis akadaro.
Vese vakambonyarara, Barbra ndokuzoti; “Ndozvambotaurwa here nemiwo munotya chaizvo,
hanzi this is a test for love, zvawaida kutidzinga pano waizozvara zvirema zvega zvega upenyu
hwako hwese iwewe. Utonditenda ndakaramba kubva pano, nhasi waizoudza mamma Gambiza
kuti chii, dai ndakangobva pano ndaisadzoka.”
Amai Gambiza vakaramba vakanyarara, Lewis ange ave kuita hasha asi ainyara amai
muBishop vaive mumba umu.
Akabva ati; “Iwe mai Ticha ndiwe wandange ndave kuda kutobvunza kuti Johannesburg
kwawakabva uko hauna kusiya vana here? Kana kubvisa nhumbu kana kumbokanda kababy
mubin, vamwe makangwaraka imi. Ubva wareurura nhasi mwana apone uyu.”
Barbra akahutisa miromo ndokuramba akanyarara. Amai Gambiza vakabva vati; “No, no, kana
shoko rikataurwa rinofanira kukugadzirisai kwete kukupesanisai. All those accusations are not
necessary bamunini. But as I was praying, ndangoona kuti you are being tested for love, we
may have so many interpretations about this. Love your son, mwana chipo chinobva kuna
Mwari. Mukadaro Mwari vanokugonesai. Remember when Jesus healed the blind man and
vadzidzi vake vakabvunza kuti imhosva yaani kuti akazvarwa ari bofu, Jesu vakati zvakaitirwa
kuti ukuru hwaMwari huonekwe. Kana Ticha akawana miraculous healing tingati chii pamusoro
paMwari vakanaka kudai?”
Amai Gambiza vakadaro vachinyaradza vabereki ava ndokuzoenderera vachiti; “Mogadzirira
Support Group riya mundoona vamwe vabereki who have made peace with their children’s
conditions muone kubata kwaMwari in every situation. Kupora kana kusapora kwemwana,
Mwari vanongove Mwari.”
Vese vakasimuka vobuda kuperekedza amai Gambiza kumota yavo.
Amai Gambiza vakabva vati; “Varungu vanotaura vachiti people living with disabilities, ndiko kuti
vanhu vanorarama nehurema, havasi zvirema, kutaura kuti chirema kutuka Mwari nekuti tese
takasikwa nemufananidzo waMwari. Ko tikapanana mazita nekuda kwezvakaipa kana
zvatisingade zvatinorarama nazvo zuva nezuva ingave nyika here? Everytime, modaidzwa kuti
imi vemhino hombe or imi vekusviba, would you like that? Ndozvakafanana nekudaidza Ticha
kuti chirema everytime. He is still the same Ticha, kurarama kwatinoita nezvimwe zvatisingade
ndokurarama kwaanoitawo nezvaave now. And shoko raMwari rinototi ‘Benzi rinoti mumoyo
maro hakuna Mwari’ saka urema chaihwo hwungaitwe nemunhu pasi pano hwunowanikwa
mupfungwa dzake hwekuramba Mwari, vanhu vakadaro ndozvirema zvinoramba Mwari
akazvisika. Let’s be sensitive kumatauriro akadaro.”
Vese Lewis naBarbra vakangotarisana ndokunyarara.
Lewis ndiye akazoti; “Ko Bishop vatisiri kuona mazuvano asi vari kunze kwenyika?” Lewis
akabvunza.
“Aiwa havasi kunzwa zvakanaka, variko havo.” Doris akadaro.
“Oh serious? Ko vabatiswa nei? But tongotenda Mwari muripo. Sangano rinoenderera mberi.”
Amai Gambiza vakaramba vakanyarara, Lewis ndokuenderera akafara zvake; “I am not sayin
Bishop was doing anything wrong, but teaching yenyu mamma yatisimudza tese tese, and even
muchurch pamunoparidza tinonzwa movement yeHoly Spirit. Asi mange mave
kumboshaikwawo nemiwo, dzokai please, especially now baba vasipo ah vanodzoka sangano
rakangosimba as ever.”
“As the spirit leads. Ndokuonai next time.” Amai Gambiza vakadaro vachipinda mumota mavo
ndokuenda.
Pavakasara vave vega, Barbra akabva ati; “Iwe kuConference Centre kuri kutaura amai ava
ndokwana Isabella handiti?”
Lewis akafinyama ndokuti; “Amai ava ndiani?”
“Celebrity rakoka rabva pano iri.” Barbra akadaro. “I mean, saka Svondo rese tichidzidziswa
kuchengeta zvirema nemurume waIsabella kana kuti naIsabera wacho hehehehe?” Barbra
akafa nekuseka, “Ukaita zvakadaro unenge wakashinga wena.”
Lewis akapinda mumba ndokumira akatarisa mwana wake, nemisodzi mumaziso, for the first
time kubvira pakaitika accident, akasimudza mwana akandomurarisa zvakanaka pamubhedha
wavo wavairara ivo vabereki….

TOO BUSY TO DIE


CHAPTER 26
Stories by: Rutendo Lovely Nzira
PaSvondo rakatevera muEuthenia Ministries vese baba naamai Gambiza vakange
vasingaonekwi musangano ravo. Kana sisi vakuru vePraise and Worship havana zvakare
kuzoonekwa muchechi umu, kubvira pavakasiya mubhishopi achitandadza mumba yeupombwe
yavakange vachironga tsoro dzavo. Amai Gambiza vakamboitawo nguva vasingaende asi
pavakazoshanyirwa nababa namai Maruta, vakabva vatanga zvakare kuenda kuchurch
kwavo.*****
PaConference Center svondo raidzidzwa nezvevana vanorarama nehurema, Lewis
akazokwanisa kuenda ega nekuti mudzimai wake aisanzwa zvakanaka nekuda kwepamuviri
kwaange ave napo. Svondo iri rakafamba zvakanaka chose baba vachidzidza uye kuonawo
vamwe vabereki vairera vana vavo nerudo. Pazuva rekupedzisira uri musi weChishanu
weSvondo iri, musangano wakapera pakangopedza vanhu kudya masikati.
Amai Nyandoro vakange vakamira panze vave kuonekana nevabereki ava. Lewis akabva
apfuura nepavaive vakamuti; “Ndimi Mr Katsande handiti? Amai Gambiza vakambotaura
nezvenyu tichinamatira mwana wenyu achangoita accident.”
“Oh really, amai Gambiza is our mother indeed, vanogara vachitifunga nguva dzese.” Lewis
akadaro achifara chaizvo.
“Ko mudzimai wenyu aripi?” amai Nyandoro vakabvunza.
“Variko kumba, takatadza kuuya tese, ivowo vange vasinganzwe mushe so havana
kuzokwanisa kuuya kuno.”
Amai Nyandoro vakambonyarara vachifunga ndokuzoti; “Ndingade kuzokuonai mese kana
zvichiita, there are certain strongholds that need to be broken in your marriage. God loves you
so much, and because marriage is a union of two people you need to agree and pray together
kuti mumba muve free from certain strongholds.”
Lewis akavhunduka ndokuti; “Ah hamenowo amai, Pastor amai Gambiza vakambotaura
zvakada kudai asi ummm…..” Lewis akatadza kupedzisa zvaaida kutaura ndokuzoti; “Seminar
iyo how to pray for a difficult husband yandaona paNotice Board, ndeyevakadzi vega handiti, ko
yevarume muchaita rini? How to pray for a difficult wife usati wamuuraya nekumurova.”
Amai Nyandoro vakanyemwerera ndokuti; “Hamusirimi matanga kubvunza, saka tichaona
pamwedzi uri kutevera, toita yevarume. Asi dai ndamboona mudzimai wenyu ndamubatsira
agamuchire Jesu.”
“Zvakanaki amai, ndinondomutaurira …..” Lewis haana kuzopedzisa zvaaida kutaura, amai
Gambiza vakabva vasvika pavaive. Mushure mekukwazisana vese, Lewis akabva azoti;
“Mamma Gambiza, amai Nyandoro vange vachiti vanoda kuona mai Ticha, hameno vakabvuma
kuuya.”
Amai Gambiza vakaseka ndokuti; “Don’t worry babamunini, kana vakasauya ivo isusu tichauya
kumba kwenyu. Muone kukudai kunoita Mwari.”
Vese vakabvumirana mashoko aya ndokuparadzana voenda kudzimba dzavo.*****
Amai Gambiza vakazodaidza Church Committee yese ndokuvataurira nezveurwere hwaBishop,
not in detail though, kwaingove kuti baba vari kuchipatara. Uye hapana aikwanisa kuvashanyira.
Vese vakabvumirana pasina kupokana kuti amai Gambiza vaite ivo acting Bishop and leader
weEuthenia Ministries.
Musi wazvakataurwa naPastor Dube muchechi, vanhu vazhinji vakafara vakaombera
vachivimbisa kuzobatira pamwe nekutsigira amai Bishop pahutungamiri hwavo.
Kuchipatara, Bishop Gambiza havana kuita zviri nane, vakange vakarara zvavo chaizvo, hope
dzemadzikirira, pasina kana chavainzwa kana chavaikwanisa kuita vega. Zvese
zvekuvararamisa chekudya nechekunwa vaipiwa nemishini. Amai Gambiza vaienda nemhuri
yekwaNyandoro kundoona murwere nguva nemisi yese.
Nekufamba kwemwedzi zvakadaro, Medical Aid ya Bishop vakataurira amai Gambiza kuti
pavange vachibhadhara pakwana.
Vakavaudzawo kuti dai Bishop vachibuda muchipatara vaende kumba vandoitwa Home Based
Care vakamirira musi wekufa. Izvi amai Gambiza vakaramba, vakati machiremba ari kuti
murume wavo achine utano saka nemumwe musi aizomuka.
Sekuru Gambiza vakadzokera kwaMutare vakandotengesa mombe dzese dzakange dzatengwa
naIsaac dzaive pamusha. Mari iyi yaizobhadhara chipatara kwemimwe mwedzi miviri,
vakambomira vakadaro.
Nekuti akange ave mutungamiri akakwana weEuthenia Ministries, Doris akange oendawo
kumisangano yakawanda nekuziva zvaiitika kumisangano yese yaisimboendwa naBishop Isaac
Gambiza. Kana neyekunyepa akaizivawo ipapo, asi mhinduro aive nayo, vakange vachingoda
zvavo kuwana kubva pamba zvine rugare kuti vandotandara naHazel vari kumafuramhepo.
Pamwedzi wechitanhatu Bishop Gambiza vari muchipatara, Euthenia Ministries yakadaidzwawo
kumusangano weMubatanidzwa wemasangano ese echiKristo.
Vaive vatungamiri vemakore mashanu akange apfuura vakange vosiya vopa vamwe mukana.
Vaiita mazuva maviri ekutsanya nekunamata, pazuva retatu vozosarudza hutungamiri hutsva.
Pazuva retatu, sarudzo dzakaitwa, Pastor David mutungamiri weFaith Ministries vakabva vaitwa
ivo chamakonya we Zimbabwe Network of Pentecostal Churches (ZNPC), amai Doris Gambiza
ndovakasarudzwa kuti ave mutevedzeri wemunyori wesangano iri.
Doris aitya nekuzeza zvinzvimbo zvakadai izvi, aiziva zvaitaura vanhu pamusoro pemurume
wake nechurch yavo, aizivazve chokwadi chaive mavambo eEuthenia Ministries. Sarudzo iyi
yakamuvhundusa nekuti ange asina kuzvigadzirira. Paakaedza kuramba, vakuru vaivemo vese
vakamusimbisa vachimuti hapana mistake pamberi paMwari, uye basa raMwari harirambiwe.
Musi uyu vakandodya kumba kwaambuya Nyandoro vachidzidziswa nekurairwa basa ravange
vatarisana naro. Vakatandara vese amai Nyandoro vachitaura nhoroondo yekusanduka kuri
kuita machurch.
Doris akabva azoti; “Dai izvi zvese zvazoitika vaGambiza vabuda muchipatara, how can I be
celebrating while my husband is lying unconsciously on a hospital bed? How can life progress
this much to me while my husband is stagnant?”
Vese vakambonyarara, David naamai vake vakatarisana, David ndokuti; “Mrs Gambiza, maybe
God is saying something. 6 months now tichinamata. Mamma hamuna kuudza amai Gambiza
here? Nezuro pataikunamatirai mese, pane zvatakambotaura pamusoro penyu as a family and
pamusoro peEuthenia Ministries.”
Doris akatarisa vese ndokuterera, amai Nyandoro vakapa mwana wavo mukana wekuti
atsanangure zvaivepo.
“Basa renyu nderekutungamira Euthenia Ministries. Hamufunge kuti mave spiritually fit to lead
people to Christ here? You now possess all the gifts of the Holy Spirit, almost ese mave nawo.
And you will still grow in His grace. Mamma was saying you are focusing more on kurwara
kwababa, yet Mwari akavaendesa …. What can I say, kuholiday …. No sabbatical, yes let’s say
baba Gambiza is on sabbatical, he will come back and join you.”
Amai Nyandoro vaigutsurira vakatarisa Pastor David vachibvumirana navo.
“Ko ndikasandura zvinhu zvese akafa? Vanhu voti ndakamuchekeresa kuti nditore business
rake?”
Isabella akadzungudza achiti; “No shamwari, not that again.”
Pastor David vakabva vati; “You are a good submissive wife amai Gambiza, and I will always
respect you for that. Asi now this calls for your submission to Christ not to your husband, in
issues like these, submit to Christ to save both your souls.”
Madzimai ese vakanyarara vakaterera. Pave paya amai Nyandoro vakazoti; “And I have seen
you managed to forgive your husband and you have interceded for him zvakanyanya
mwanangu. It shall be well with you.”
Pastor David vakabva vati; “Take the reigns amai, musatya, tangai neDoctrine yacho, if you
need help just shout, we have powerful men and women of God who can help you draft a good
doctrine from the word of God, bvisai zvese zviri ungodly and anti-Christ that you know of. Fight
that fear, once you put the house in order, baba vanobva vadzoswa from sabbatical.” Pastor
David vakadaro ndokusekerera vave kusimuka.
“Ok, I hear you. Ndichadaro.” Doris akazodaro ave kunzwa zviri nane.
Isabella akabva asimukawo ave kubvisa ndiro achiendesa kukitchen. Amai Nyandoro vakatarisa
Doris ndokuti; “You are so courageous and confident when you deal with nyaya dzevamwe, but
I have seen uri kutya zvingangoitika kumurume wako. God took care of that the day He
anointed you to lead the Ministry. Minamato yako yese pamusoro pemurume wako
yakatomuraramisa. Waimboziva kuti acharara muchipatara asingarwari kwenguva yakareba
kudai here? Ko waiziva kuti uchapinda muCommitte iyi here? Kuti unyatsoona kuti you have to
represent Christ, kwete zvekutamba. See yourself with the eyes of Christ.”
Amai Gambiza vakagutsurira asi mupfungwa dzavo vachiti Isaac aizouya achiti chiiko
nezvakadai izvi.
Zvisinei, amai Gambiza vakaita zvese zvaitarisirwa kuti mukuru wesangano angaite, kusandura
Church Doctrine, kudzidzisa vanhu Bible chairo nemagariro akanaka echiKristo. Kubva
pamaPrayer Warriors avainamata nekushanda navo vakakwanisa kuwana hutungamiri
vachigadza vanhu zvinzvimbo zvekuve maElder nemaDeacon aibata basa mumba maMwari.
Vakatanganazve nekutsiura vanhu vairarama zvaive nemibvunzo, vanhu vaimbokudzwa
muhutungamiri hwavaGambiza, vakaiswa pasi peshamhu nehutungamiri hwamai Gambiza. Izvi
zvakaita kuti vaive padyo naBishop Gambiza nekuda kwemari dzavaibvisa musangano iri
vasiye church. Pakamboita the great Exodus yakavhundusa kana ivo amai Gambiza, apa mari
yaipinda muchurch yange yave shoma, kuchipatara kwaida mari, kumba kwaidawo mari, apa
mari yakawanda yaiperera kuchipatara.
Vakabva vatengesa range rover yaBishop kuti zvibatane. Kana baba namai Maruta vakange
voona mudzimai uyu seave kuparadza sangano, asi Doris akamiririra shanduko dzese dzaaiisa
muEuthenia Ministries.
Amai Gambiza vakasimbirira pakudzidzisa vanhu shoko raMwari, vanhu vakakwanisa kutaura
nekurarama shoko raMwari pamusoro peupenyu hwavo, vaive vasina mabasa vakatanga
kumawana, vairwara vakapora, vaive vasina rugare mudzimba, rugare nerudo zvakavawana.
Amai Gambiza vaipedza nguva yavo zhinji pakati peSvondo vachishanyira vanhu vese vese
zvavo, vemusangano nevaive vasiri vemusangano. Mhuri dzakaumbika patsva, maCell Groups
avo akave akasimba pakudzidza shoko nekunamata zvaishandura upenyu hwavo.
Izvi zvakaita kuti vatori venhau vavashanyire, vakabvunza twakawanda wanda mushure
mekupinda Svondo yaitungamirwa naamai ava.
Musi weChishanu wakanyorwa nyaya yeEuthenia Ministries mubepanhau, vanhu vakaswera
vachivafonera nekukumbira kubatsirwa navo. Kana paBedzanyota chaipo, sezvo vakawanda
vaishanda apa vaipinda svondo ikoko vanhu vakaswera vachitaura nezvaamai Gambiza.
Hazel akazvinzwa akaita hasha negodo raipfuta moto ari muoffice make ndokufunga
kunyaradza nekunyadzisa vese vaibwabwaika kutaura Doris sevaitaura nezvemukuru
wematororo anoda kuparadza America damn it.
Akafara chaizvo nekuti akange abvirira kutsvaga mukana wekuparadza Euthenia Ministries
Gambiza asati adzoka. Vese vaive nemari Doris akange azviparadzira ega achivaisa pasi
peshamhu. Manurse ekuAvenues vaaitaura navo vaimuudza kuti Isaac aigona kuzomuka nguva
ipi zvayo, saka zvange zvakanaka kuti Gambiza awane pasisina sangano, aie hasha
agodzokerana naye vatange patsva.
Zvaaida kuita zvacho was just a phone call away, saka akabaya baya nhare mbozha yake
ndokuti; “Sweetman my man. Tsvaga murwere anonyatsozikanwa nevakawanda, murwere
wekuti tikataura nezvake raini rake rese rinoziva wanzwa? Kwete type yataitsvagira Bro G iya
iya, apa toda chaiye chaiye. Ndozokutorai neSunday morning timboshanya kuchurch. Inini
ndichatsvaga news reporter, its high time Euthenia yanyararwa, it should be forgotten. Usaudze
munhu iyeye kuti ari kuenda kupi, or kundodii kuti zvese zvichaitikapo zvinyatsove real,
wanzwa.” Hazel akadaro achifemereka nehasha neshungu dzekuda kuparadza zvachose.
Yaisave nyaya iyi kuna Sweetman, in 15 minutes ange ave pamba paimwe mhuri paive
nemwana mukomana aive 20 years old, akange ave negore rese akarara asingakwanisi kana
kufamba aiswera akagara kana kurara. Hama dzake dzaiti akange aroyiwa nekuda kwamabasa
ake ekuba ndokuwana chitsinga.
Musi weSvondo wakatevera, semaitiro avakange vave kuita, maDeacon nemaElders vaipanana
mikana yekutungamira Bible Studies. Deacon aitungamira chidzidzo chaainge anyatsoita
tsvagurudzo kubva mushoko raMwari asi achipawo mukana kumunhu wese muchurch
wekutaura, kubvunza, kutsanangura nekugoverana zvavaisangana nazvo mukurarama zuva
nezuva.
Amai Gambiza vakange vasiyana ne grand entrance yechicelebrity yavaisiita kare kwavo
nemurume wavo, kupinda kana yave nguva yemharidzo munhu wese akagara akavamirira.
Kubvira pavakatora hutungamiri vange votanga kupinda ivo muchechi mavo, voita minamato
nemaPrayer Warriors avo apo vaidzinga mweya yenzvimbo nemweya yese yairambidza vanhu
kuti vape mwoyo yavo kuna Mwari, vaiparadza mweya yairambidza vanhu kunzwa
nekunzwisisa shoko raMwari, uye kudaidzawo huvepo hwaMweya Anoera. Vanhu vaizosara
vopinda mumba maMwari machena kare, vamwe vaiuya nezvimwewo zvinangwa vaigumira
pamusuo vodzokera kwavabva pasina chabuda.
Musi weSvondo uyu, Bible Study yaive pamusoro peFaith, Kutenda muna Mwari nemwoyo
wese. Mutungamiri akatanga nekuverenga Hebrews 11, ndokuzotungamira achibvunza vanhu
mibvunzo, vese vachitandavadza nyaya semhuri vachigoverana chidzidzo ichi, nekubatsirana
kuti kutenda chaiko kungararamiwe sei muupenyu hwemumwe nemumwe wavo.
Vari pakati penhaurwa iyi, Hazel akasvika nehama dzake idzi paEuthenia Ministries iye
ndokusara mumota. Sweetman akandopinda nemukomana uya airwara nemakumbo, nevamwe
vaviri vaimubatsira kufamba, uye news reporter aizotora mifananidzo nemavideo ekunyadziswa
kwaPastor Doris Gambiza.
Mushure me1 hour yese yenhaurirano iyi, amai Gambiza vakazovharisa chidzidzo ichi vachiti;
“Nhasi Mwari vatidzidzisa nezvekutenda kwavari, ndoda kukupai homework, svondo rino rese
handei tinoshandura matauriro edu nemaonero edu eupenyu. Mumwe nemumwe ane nyaya
yake inomunetsa, yaanotarisa achiti izvi hazvifi zvakachinja izvi, tatojaira kuti ndomararamiro
edu aya, nyangwe tisingazvide, nyangwe zvichirwadza. Ndoda kuti tese tindotarisa all our
situations nemaziso eFaith, maziso ekutenda kwatadzidza nhasi, next Sunday our Bible Study
totanga neTestimonies, kuti ndakatakura shoko rekutenda kumba kwangu zvikandosanduka
amen. Romans 12:2 inoti; “Do not conform yourself to the standards of this world , but let God
transform you inwardly by a complete change of you mind.”
Ndotanga inini, mese munoziva kuti our Bishop baba Gambiza havasi kunzwa zvakanaka, for 7
months now havana kumbomuka kana kuvhura maziso avo. Inini pese pandinoenda
kundovaona, ndatojaira kuvaona vakangorara vasingakwanise kana kuvhura maziso avo,
ndinowana vakarara ndosiya vakarara.” Amai Gambiza vakambonyarara vave kuita kutaura
kwekushingirira, vanhu vese vange vachinyarara zvino vavatarisa, amai vakaenderera.
“Asi nhasi Mwari vati tisimudze kutenda kwedu tione zvinhu zvitsva zvatinoitirwa nekutenda in
the Mighty name of our Lord and Saviour Jesus Christ, amen. Nekutenda ndiri kuona Isaac
amuka aka….ga…..ra inii…ni……. Ammeen.” Doris akataura manzwi maviri ekupedzisira inzwi
rave kubvunda misodzi yazara mumaziso.
Deacon vakatora microphone yaive naBishop wavo ndokudaidzira chaizvo vachiti; “Ameeen!
Praise and worship uyai mutipe a powerful praise song timbotambira Mwari wedu, tanyanya
kugara pasi.” Vasikana nevakomana vakange votungamira nziyo dzekurumbidza nekukudza
Mwari vakamira panzvimbo ndokuimba;
“Look look what this God has done for me woooo
I will never let Him go wooo.”
Sangano rese rakasimuka vave kutamba, vachitsigira vashauri, vairidza zvese zvairira umu
vainyatsokwenya nemazvo, vechidiki vakange vawana mukana wekutungamira kuimba
vakange vowedzerera vachikuza kuimba kwaiitika mumba maMwari;
“Ndinotambira Jesu nekuti anondiitira mushe
Ndinotambira Jesu nekuti anondiitira bho
Ndinotambira Jesu nekuti anondiitira kete.”
Pashure pakaimbiwa worship songs amai Bishop vave kugadzirira kuparidza shoko remusi uyu.
Mushure mekuparidza kubva muna Mark 4:35, Jesu achidzikamisa dutu, vakatsinhira nyaya
yekutenda uye kusimbisa vanhu kuti Jesu anodzikamisa madutu atinosangana nawo muupenyu
hwedu.
Pashure pakadaidzwa vanhu vese vaida kutendeuka kekutanga vachigamuchira Jesu.
MaDeacon nemaUsher vaimhanya mhanya vachiita basa ravo.
Zvapera izvi vave kuda kutovhara vakanzwa “Pastor ndibatsireiwo, batsiraiwo munin’ina
wangu.” Munhu aitaura akabva azvitorera microfone kuti church yese inyatsonzwa nyaya yake.
Amai Gambiza vakamira paPulpit vakaterera.
“Pastor munin’ina wangu akaroiwa, ave negore rese asina kumbomuka kana kufamba.
Takaenda kuhospital vakati hapana chirwere, muporeseiwo puriziiii.”
Barbra akange otadza kugara zvakanaka, akashama achiona Sweetman achitaura muchechi
umu. Akabata bata prema achitarisa mwana ange akazvirarira zvakanaka pasina chaaiona.
Lewis akangotarisa vadzimai vake ndokusiyana nazvo oterera zvaiiika mberi.
Vamwe vakomana vakauya vakabatirana munhu akange asingakwanisi kufamba ega
ndokumugadzika kumberi kwesangano rese.
Amai Gambiza vakatarisa vakambozeza kufamba, ndokuzoenda paive nemurwere uya ndokuti;
“Ndinoda kuti ubvume mumoyo mako kuti Jesu akakufira iwewe uye anokuda. Upupure nemoyo
wako wese kuti Jesu ndiye ave kutonga muupenyu hwako, upenyu hwakare hwasara. Unonzi
ani zita rako?”
Mukomana uya akange achakashamisika nekwaakange aunzwa musi uyu, akapindura nemoyo
wese, “Ndinonzi Jonathan amai, zvese zvamataura ndinotenda, ndarwadziwa ini. Ndinotenda
Jesu.”
“Deacon muitisei sinners’ prayer” amai Gambiza vakadaro vakatarisa vachiona kuedzwa
kweMweya Mutsvene kwakange kwaitwa musi uyu.
Pashure amai Gambiza vakabva vati; “Zvino wave chisikwa chitsva, wave mwana waMwari.
Ugare uchipupura nemuromo wako kuti ndiri mwana waMwari. Tichakushanyira kuti udzidze
nezvaJesu Kristo kuti urarame zvinofadza Mwari, kuti uve neukama naMwari.”
“Ndinoda kupora amai, ndinoda kufamba zvakare.” Jonathan akadaidzira mushure
mekuzevezerwa ‘namukoma Sweetman’.
Amai Gambiza vakaswedera paari ndokumubata musoro; “May the conviction of the Holy Spirit
overshadow you, May the love of God overtake you, all the days of your life.” amai
vakambopinda mundimi kwekanguva kadiki dzavakazopedzisa vapfugama vave kupera simba.
Vakazosimuka ndokuti; “Jonathan ipa Mwari mukana mukati meupenyu hwako uone kubata
kwavo. Sezvandataura, tichakudzidzisa shoko raMwari kuti uve neukama naMwari. Ipapo
uchaporeswa zvese kubvira kumweya wako kusvika kunyama yako.”
Amai Gambiza vakafuratira vodzokera kuPulpit vachinzwa kupera simba nedrama ravaiitiswa
nemukomana uyu pamberi pevanhu vese.
Amai Gambiza vakatsikitsira paPulpit vachigadzirira kuita munamato wekutenda Mwari kuti
vachivhara service yemusi uyu. Vakanzwa vanhu vese vave kuti; “haaaaa” vamwe vachiridza
mhere nekushamisika, vakacheukawo ndokusangana naJonathan achitwasanudza makumbo
jumping all over the place nekukwira pazvigaro zvaivepo.
Naivowo muparidzi wekutenda muna Mwari vakashama muromo vakatarisa zvavakange
vashandiswa naSamatenga tenga musi uyu. Doris akangokwanisa kupfugama pasi mweya
wake uchikudza nekurumbidza Mwari Baba vana Masimba ose.
MaElder nemaDeacon yange yave batai batai vaunganira mukomana uya, mukoma Sweetman
vange vave kumusuo wechurch votiza sezvo vange vakamirirwa neakange avatuma
kuzonyadzisa musangano iri. News reporter akange abhadharwa mari yakaisvonakisa naHazel
akange omhanya nemacamera kuti anyatsoita basa nemazvo.
Vana baba Katsande nanababa Maruta vange vangosimudza maoko worshiping Jehovah
Rapha the Lord our Healer akange ave kufamba nemutungamiri wesangano ravo ravaidisisa
kudai.
Manheru aya, Doris nemwanakomana wake vakandoona baba veimba yavo kuchipatara.
Vakawana Isaac akarara semazuva ese, vakangoita munamato wavo semhuri vakabatana
maoko vese vari vatatu, ndokubuda.
Vachifamba kudaro Tafadzwa akati kuna amai vake; “Saka nhai mamma, what are you going to
tell the people in church next Sunday?”
“Sei wadaro mwanangu, pane zvandinofanira kuvaudza here?”
“Mummy you told everyone that daddy will wake up and sit, but he didn’t, what are you going to
say? What are you going to testify about?”
Doris akambomira ndokutarisa mwana achifunga kuti opindura achiti chii. Akabva azoti; “Nhai
Tafadzwa, waona mukoma Jonathana nhasi muchurch? Vange vasingakwanise kufamba vega,
asi vabuda vave kufamba vega, that’s how God operates, full of shocking miracles, and
surprises, on Sunday, I believe He will give me something to testify about.”
Tafadzwa akambonyarara achifunga zvakange zvatsanangurwa naamai vake; “And mummy, I
believe that God is going to give you the testimony that you really really want.”
Amai nemwana vakatarisana vachinyemwererana nemufaro wavaipiwa naMwari wavainamata.
Musi uyu Doris akarara achinge aitorwara achibitiridzwa naMweya Mutsvene.

TOO BUSY TO DIE


CHAPTER 27
PaSvondo rakatevera Hazel akazofonera Sweetman vakasangana kumba kwaHazel.
Sweetman akange angobuda muchechi zuva rakange rapfuura ndokunanga kwake
kuChitungwiza haana, kuzoona Hazel, kana kuzotsvaga kuti Jonathan akazobvawo apa sei.
Hazel akange achakatsamwa uye kuvhiringika nezvakange zvaitika muEuthenia Ministries.
“Chinyatsotaura chokwadi, whose side are you on?” Hazel akabvunza akagumbuka chaizvo.
“Makurasika papi futi sisteri? Ndakaita basa sekundituma kwamakaita, ndakambokurasisai
here?”
“Saka zvakafamba sei nhai? Sei mukomana uya akafamba?”
Sweetman akangobwaira bwaira ndokuramba akanyarara asina mhinduro.
Hazel akabva ati; “or maybe ndakatangirwa, ndaifunga kuti Doris akapusa. Amai vaye havana
chikwambo here? Ndochiri kurarisa Bra G uko, ivo vachiita signs and wonders saTBJ?
Haufunge kudaro here?”
Sweetman akaramba akanyarara zvakare, Hazel ndokuita hasha. “Ndozvandakubvunzaka nhai
Sweetman, whose side are you on? Hauchada kana kutaura nezve plan B, akakupa marii
chirikadzi yaBra G, say it!”
“Ndosaka ndati zvangu mari yacho garai nayo, dai maive padyo naamai ivavo muchurch
muyaka, musingataure zvamuri kuita izvi. Endai padyo navo muzvinzwire zvandakanzwa
tigozotaura futi. And endai kumaraini kwana Jonathan mundonzwa kuti akapedzisira kufamba
rini.”
Hazel akaramba akanyarara ndokuzoti; “And that foolish reporter, akaramba achitora zvese
zvese, zvange zvichine basa rei? Ndoyave nyaya pamaApp groups, kana kubasa nhasi hapana
ashanda vachingoratidzana Doris nxaaaa. I will deduct mari yavaswera vachiendesa Doris
mbiri, nonsense.”
Sweetman akanyarara zvakare, Hazel akanzwa kushorwa nekuti kunyarara kwaSweetman
kwairatidza kuti haasi kubvumirana naye, vave nemaonero akasiyana.
“Zibenzi uri kunditarisire chii?” Hazel akakwamatata.
“Hamundituke kudaro vatete, ndokuparadzai face iyo nechibhakera Bra G vakazoshaya
pekutarisa, that is kana vachiri kuziva zita rako, shit.” Sweetman akadaro atarisa Hazel uyo
akatya ndokuswedera kure.
Sweetman akaenderera; “Right, inzwaka iwe musanditume futi madhiri enyu evanhu vaMwari
ava, ndichandoti sorry kudzimeti raBra G, ndiri kunzwa kuti ndikasadaro urwere hwaJonathan
hunouya pandiri, handingafire kufadza imimi maona. Bye sisteri.” Sweetman akadaro
ndokufamba achibuda mumba maHazel oenda kwake.*****
Nhumbu yaBarbra yakange yave nemwedzi mitanhatu yese uye akange ave nemusikana aiuya
achimubatsira mabasa emumba. Panguva yese iyi akange akwanisa kuvaraidza Lewis kuti
vana amai Nyandoro vasauya kumba kwavo.
Musi wazvakange zvataurwa akange arohwa nehana achifunga mashura akange oramba
achiitika muchurch mavo. Aidisisa kuti dai mashura akadaro aitikawo pamwana wavo, asi
aisaziva kuti chaaizonzi apupure chaicho chii.
Kupupura kuti kunana Rumbie kuMasvingo? Kana kuti akange aronga nekurongonora hwuMrs
Katsande sezvaaida? Aifanira kupupura kunani? Kuvanhu vese vese here kana kuti kuvafundisi
chete? Kana kuri kumhuri yese Lewis, vaizoti chii? Ko iyo mbuya iya yakabereka Lewis
yaisazodaidzira kusvika yashoshoma inzwi kunge ichabatsirwa nenzeve kutaura zi ‘inga
ndakazvireva wani’ rakakora rainzikwa kana nevaive mundege iya yeMalaysia yekunyangarika.
Akange achidisa kutaura namai Nyandoro asi aisaziva pekuvawana uye aisavimba naamai
Gambiza, vaiwirirana nemurume wake, vaisazomuudza here? Ivo mai Nyandoro vacho,
vaiwirirana namai Gambiza, kana vaitaura naye, vaisazotaurirana here kusvika zvasvika
munzeve dzaLewis? Paakafunga izvi hana yakarova pfungwa dzese dzekutaura namai
Nyandoro akambodziisa on hold.
Mazuva aya vaifara naLewis, nyangwe paaitaurisa, Lewis aingomunongedza onyarara. Barbra
akademba kuti dai nhumbu iyi yaramba iripo, isazvarwa nekuti musikana webasa ange avepo,
iyewo aidya zvaaida paaidira, uye kunyanya zvibhakera nembama zvaLewis zvakange
zvambozorora kunaya kwaari.*****
Nemumwe musi amai Gambiza vakashanyirwa pamba pavo na ‘mukoma’ waJonathan,
vakafara chaizvo kumuona vakatanga kubvunza nezveutano hwaJonathan. Paasina
kunyatsopindura, vakabva vamuratidza pekugara panze, vave kuterera zvaakange avinga.
“Mufundisi ndauya kuzokumbira ruregerero pane zvakaitika neSunday.” Sweetman akadaro.
“Chii chakaitika, inga vanhu vese vakarumbidza Mwari nezvakaitirwa munin’ina wako.” Amai
Gambiza vakadaro vasinganzwisisi.
“No amai, it was a set up. Ndakatumwa kuzokunyadzisai nekukuvigirai murwere kuti mutadze
kumurapa muchurch yenyu. Ndakauyawo nema news reporters. Dai makamunamatira
akasapora, nekuti airwadziwa uye takange tamustressor asingazive kwaaienda aizoitwa
interview yekukunyombai kuti you promise vanhu minana yekunyepa. Ndiregerereiwo munhu
waMwari.” Sweetman akatsanangura.
Amai Gambiza vakaramba vakatarisa muenzi wavo vachifunga zvaaitaura izvi.
“Ndiani akakutuma?” amai Gambiza vakabvunza.
“Ndisatani, diabhorosi, munyengeri chaiye amai, ndauya kuzokumbira ruregerero.
Ndiregerereiwo.” Sweetman akadaro akatsikitsira.
Amai Gambiza vakambogumirwa ndokuzoti; “Yes ndakazvinzwa kubvira pandakangokutarisai,
kuti maiedza Mweya Mutsvene, now that wataura zvese izvi, it makes sense. I forgive you ….
Unonzi ani?”
“Thomas ndozita rangu. Jonathan handina ukama naye, ndaimuziva ari tsotsi kuChitungwiza,
akaregera zvekuba nekubvuta zvikwama zvevanhu paakatsingwa nevamwe vaakabira.
Zvechokwadiwo akatadza kufamba kwegore rese. Ndiri kutya kubatira chirwere chake kana
mukasandisunungura amai.” Sweetman akademba achipupura.
“Usatye, ndinofara kana Mweya Mutsvene wakwanisa kutaura newe kusvika wauya kwandiri.
Zvinoratidza kuti moyo wako hauna kumbooma, wadaira kurudo rwaMwari. Nedzimwe nguva
nekuda kwezvatinosangana nazvo muupenyu, satani anotishandisa, asi Mwari havadi kuti
mutadzi afe, vanoda atendeuke ararame.”
Sweetman akagutsurira zvese zvaitaurwa nemurandakadzi waMwari. “Now ndinoda
ugamuchire Jesu, ndozvega zvaungaitira Mwari, wobvuma kuti Jesu ndiye Ishe neMuponesi
wako, pfugama apa tinamate tese.”
Sweetman akambofunga, ndokupfugama negumbo rimwe, akadzungudza akatarisa amai
Gambiza ndokuti; “Mufundisi, ini ndinonwa hwahwa, ndinoputa zvese fodya nembanje, mumba
mangu kutaura so, mune zvinhu zvakabiwa, ndogamuchira Jesu pakai kana ndimiwo moms?”
Amai Gambiza vakamutarisa zvakare ndokuti; “Handisati ndamboona munhu anodiwa naMwari
sezvawaitwa iwewe. Zvese zvauri kutaura zvandiratidza kuti Mweya Mutsvene uri padyo newe
chaizvo. Dai wange uri mumwe munhu waindinyepera toita munamato wobva waenda
woenderera mberi neupenyu hwako. Asi hauna kudaro, waona zvisina kukodzera kutaura zita
raJesu une zvimwe zvaunoziva kuti hazvina kururama. Thomas, zvese izvozvo Mwari
vachatibatsira kuti zvive nyaya dzekumashure. Gamuchira Jesu, huya tinamate.”
Vakabva vanamata vese, pashure amai Gambiza vakamubata musoro ndokumunamatira
vachitenda Mwari neupenyu hwake. Mushure memunamato amai vakatarisa mwana wavo
mutsva uyu ndokuti; “Mukadzi akakutuma kwandiri naJonathan ndiani?”
Sweetman akambooma rurimi, asi mabvunzirwo aakaitwa akaona sekuti vaingoda kuti ataure
zita vakange vatomuziva.
“Ehe, ndisister Hazel vanoimba muchurch menyu, smallers yamudhara amai.”
Amai Gambiza vakaramba vakanyarara, pavakanyarara Sweetman akafunga kuti pane zvimwe
zvavaiziva zvavaida kubvunzazve akabva ati; “ndovaimbondituma kutsvaga vamwe vanhu vaizo
actor vachinyepera kuremara vachisimudzwa nababa muchurch menyu umu. Handichaita
madhiri iwayo amai, I promise.”
Amai Gambiza vakanzwa hasha nezvaitaurika apa asi vakavavarira kuita basa ravo; “Oh saka
iwewe naHazel navaGambiza maitozivana zvenyu?”
Sweetman akagutsurira, Doris akapotsa aridza tsamwa asi akazvibata.
Doris akaenderera mberi achiti; “Izvo zvekudhakwa kwako nekuputa kwako, ivo mudhara venyu
ivavo vachauya vokubatsira, vanogona chaizvo rehabilitation iyoyo. Nyora cell number yako ne
address yako apa. Uchazofonerwa nana Deacon vokuudza way forwad.” Sweetman akanyora
zvese ndokubva apa ave kufambisa. Akaona kuti akange atsamwisa amai Mufundisi.
Doris akagara pasi ave kufemedzeka nehasha neshungu pamusoro pezvaakange anzwa apa.
Akazodzungudza finding comfort pakuona kurwirwa kwaaitwa naMwari pamusungo wemuteyi
wemariva egehena uyu.
Amai Gambiza vakabata bata Bible ravo vachishaya pekunanga chaipo nekuvhiringika
kwavange vaita pamusoro penyaya iyi. Vakazviona vavhura pana Esther 5 ndokuverenga
machapter ese kusvika kuchapter 7, amai Gambiza vakadzikama zvikuru kwazvo vachiverenga
nyaya yaHaman achironga kuuraisa Mordecai. Mudzimai akasekerera achiverenga Esther 7: 9-
10 yaiti; ‘then one of them said Haman even went so far as to build gallows at his house so that
he could hang Mordecai, who save your majesty’s life. and its 22m tall’. ‘Hang Haman on it,’ the
king commanded. So Haman was hanged on the gallows that he had built for Mordecai. Then
the king’s anger cooled down’.
Amai Gambiza vakaona kuti mucheri wegomba ndiye akazowiramo. Vakavhara Bible ravo
ndokutarisa mudenga vakasekerera vachiti nezeve zeve, “who said the Bible, this word of God
is outdated….? ”
“Yes mamma it’s not, the stories are new everyday.” Tafadzwa akadaro akamira kumashure
kwaamai vake akabata mabhuku ake ekuchikoro.
“Ndave kuda kuita homework yangu. Tanzi tiverenge this story, about Daniel in the lion’s den,
then mangwana tinotaura our stories in class.”
“Ok mwanangu, verenga ndakaterera” Amai Gambiza vakadaro ndokunyatsogara zvakanaka
vakaterera. Paakapedza kuverenga, Tafadzwa akaseka ndokuti; “I miss daddy, vaiti kana
ndichiverenga my Bible stories vaibva vandipedzisira nyaya yacho vobva vati, ‘ayayayayaya,
am I not the wise King Solomon?”
Vese amai nemwana vakamboseka ndokuzoenderera vopedzisa homework yemwana.
Manheru emusi uyu amai Nyandoro vakabva vafonera amai Gambiza ndokuronga kuenda
kumba kwana Katsande pazuva raitevera racho. Lewis akazoona message yaibva kuna amai
Gambiza ave mangwana ave kutobuda achienda kubasa, akabva aronga kuti aizouya navo
masikati.
Paakasvika kuShop kwake kwakave nebasa chaizvo vachiendesa maComputers akange
atengwa kwakasiyana siyana zvekuti akakanganwa kuudza amai Ticha kuti vagadzirire vaenzi.
Akazongoti achatenga madrinks kana voenda kumba, uye vaive nemusikana aivabatsira basa
saka hapana zvainyanya kuda kugadzirirwa.
Lewis akatanga iye kupinda mumba ndokuwana Barbra akagara naTicha achidya pizza yaange
aisa order ikaunzwa pamba. “Daddy is home” Lewis akadaro achibata mwana wake, uyo
akangofambisa fambisa kumeso achipindura baba vake. Vese amai nababa vakamboita nguva
vakatarisa mwana wavo vachitaura taura naye nekuseka seka zvavaimupindurira. Barbra
akabva azoti; “Ko hindava, makurumidza kudzoka, inga maiti mune maorders amuri kuendesa
nhasi asi akurumidza kupera?”
“No ndauya nanamamma ava, avo vari kutopaka vange vachitevera kumashure kwangu.” Lewis
akadaro.
Barbra akanzwa mwana aive mudumbu make achiita mhidigari kunge aitiza kurova kwehana
yamai vake.
“Ndo rough ka iyi Lewis, iwe wouya nema visitors kana kundiudza? Dai tagadziriraka.” Barbra
akazodaro.
“Kugadzirira chii? Ndatenga drinks and cookies, Chido anovagadzirira, vauya kuzotaura nesu
kwete kuDinner.”
Barbra haana kuzopindura ave kunzwa amai Nyandoro votaurisa vachikwazisa Chido
vachipinda nekukitchen kwaaive.
“Hoo unonzi Chido, you are blessed mwanangu, ndiwe unobatsira amai Katsande kuchengeta
mukoma Ticha? Good, Mwari vakuitire zvakanaka.” Barbra akafemedzeka ndokupfeka
nyemwerero otambira vaenzi vake. Madzimai maviri aya akaita munamato, ndokuzokwazisana,
Chido ndokubuda naTicha mumba kuti vakuru vasare vega.
Vese vakazogara pasi ndokubvunzana mufaro.
Vakambonyarara vese, Lewis ndokuzoti; “Amai Ticha, ndini ndakadaidza vana mamma kuti
vatibatsire pane zvakawanda zveupenyu hwedu, our prayer life, kana anything chavangaone
pavachataura nesu.” Barbra akangogutsurira.
Amai Nyandoro vakaona kuti ndovakange vamirirwa vakabva vati; “Amai Katsande, am seeing
a dark cloud over you, pane zvinhu zvamakaita kare muupenyu hwenyu zvinoda kuti
mugadzirisane naMwari kuti muwane protection yaMwari pavana nemumba menyu.”
Vese vakanyarara vakatarisa Barbra, mai Ticha vakayeredza misodzi ndokuti; “Amai vangu
vakandisiya ndiri mudiki, handina kumbogara navo, nguva dzakawanda ndinovafunga, ndine
hasha navo, vakazviitirei?”
Lewis akabata mudzimai wake ruoko ndokuti; “It’s fine babes, all is well, with Jesus we have
true healing, rega vana mamma ava vakubatsire to come to terms with it.”
Amai Nyandoro vakabva vati; “We will deal with generational issues later, but kuti pave
neconnection yako iwewe munhu naMwari zvinoda kubvuma kukanganisa kwako wega. I
understand baba Katsande you had a meeting navaNyandoro nemudzimai wavo handiti? That
was brave and Mwari vanoda such confessions. Pane pazvinoitawo kuti ugadzirisane ukama
nevanhu naMwari zvese, asi pane dzimwe nguva ndiMwari ega vaunokwanisa kugadzirisana
navo.”
Vese vakanyarara Barbra ndokuwedzera kuchema, akasimuka abata muromo ave kundorutsa,
Lewis akadawo kusimuka amai Nyandoro ndokumuti agare pasi.
Barbra akasvika ndokumira mira mubathroom achishaya pekubata.
Kana zviri zvekumurutsisa, nhumbu iyi yakange yazviguma mwedzi mina yakange yapfuura,
paakazotora nguva yakareba arimo, Lewis akangosimuka ndokutevera. Vakazodzoka
vadungamidzana mukadzi nemurume.
Amai Nyandoro namai Gambiza vakatarisana, Lewis ave kupukuta nekubhabhadzira vadzimai
kumusana kuti vadzikame.
Amai Gambiza vakabva vati; “Bamunini ndine timetable iya yeYouth, inoda kugadzirwa tigopa
Deacons, ndasiya laptop yangu mumota, handei munondibatsira, amai Nyandoro
vanozotidaidza kana vapedzerana.”
Amai Nyandoro vakabva vati; “Ndizvozvo, tumwe tunhu twechikadzi ndinozotadza kutaura kana
mukwasha muripo.”
Barbra akambonzwa zviri nane akatarisa amai Gambiza naLewis vachibuda voenda panze.
Pavakangovhara musuo vachibuda, amai Nyandoro vakabva vati; “Mwanangu, handina kuuya
kuzokupomera mhosva, ndauya kuti uzowana rugare mumoyo mako. Unonyatsoziva kuti
mwana akakuvara sei. Hautyi here kuti zvakadaro zvinogona kuramba zvichiitika nhai
mwanangu?”
Barbra akaruma miromo asina zvaaipindura. Akabata musana achifinyama kuratidza
kurwadziwa, amai Nyandoro vakabva vati; “Hausi kurwadza musana uyo, imboita serious, trust
me, zvandinotaura newe muno hapana munhu achazviziva. You need the peace and
forgiveness of God.”
Barbra akadzungudza ndokuramba akanyarara, amai Nyandoro vakambomusiya akadaro.
Akazoti pave paya; “Ko kana Lewis akatadza kundiregerera ndinoita sei?”
Amai Nyandoro vakamuti; “Dai wakwanisa kupa mwoyo wako kuna Mwari, wamborega kufunga
kuti vanhu vanoti kudii. Peace and love zvechokwadi zvinobva kunaMwari kudenga. Ndauya
kuzokubatsira kwete kuzokupa mhosva nekukuroverera mwanangu.”
Barbra akabata kumeso kwake ndokumboita nguva akanyarara, akazoti; “Saka unless ndataura
nezvakaitika muupenyu hwangu Ticha haapore? Ndinodawo kuti mwana wangu awane miracle
healing.”
“Mwari vanoshanda nevanhu vakatendeka vasinganyepe. Hona iyezvino, wanyepa kunge
nyaya yaamai vako ndiyo inokunetsa, asi unoziva zvako kuti hazvina kumbokushaisa hope,
vatete vako has been more than a mother to you. Ndokukuda kunoita Mwari. Wanyepera
kurutsa, uri kunyepera kunzwa musana usingarwadze, kwese ikoko kundidzinga. Tiri kushanda
naMweya Mutsvene, usaedza Denga ungazoti amai vaye vanoroya, vakapinda mumba mangu
nhumbu ikabva.” Amai Nyandoro vakadaro vave kushayawo moyo murefu.
Barbra akadikitira akatarisa amai ava, akazembera musofa ndokuti; “Saka zvese muri kuzviziva
henyuka, Lewis haambondiregereri. Regai ndimbosununguka mwana wangu handizvikwanise
ini.”
Amai Nyandoro vakamubata ruoko ndokuti; “Apa ndopawazotaurawo chokwadi chese, one, kuti
yes BP yave kutokwira ne stress yezvatiri kutaura izvi and it’s not good for the baby. And
secondly murume wako unomuda, imba yako unoida, ndizvo zviri kukutyisa. Problem uri kuda
kushandisa njere dzako nekushandisa vanhu kuti ugare mumba mako. Regera Jesu
akugadzirire imba yako.”
Barbra akadzungudza; “Jesu anoda ndipupure zvese, ndopupura kwamuri chete here, nekuti ah
Lewis haambozvinzwisisi, haambondiregereri.”
“Ok mwanangu, ndafara we managed to move a step ahead, wabvuma to confession. Let God
help you to deal with your husband.” Amai Nyandoro vakadaro vachinyemwerera.
Barbra akabva azogutsurira zvishoma shoma. Amai Nyandoro ndokuti; “Kwanhasi tomirira
pano, ndoda kuti uchitanga kuverenga Bible rako, tanga neBook raJohn, those 3 books aJohn,
not the gospel of John, but aye anotaura kuti Mwari rudo. Ndinoda kuti unzwisise kuti Mwari
havapo pakukurwadzisa nekukutongera chose chose chaunoita, otherwise Jesu
vakatambudzikira mahara pachipiyaniso. I will pray for you kuti paunenge uchiverenga rudo
rwaMwari rwukuzadze zvekuti unowana reasons why tichiti confession and making peace
naMwari zvakanaka.” Amai Nyandoro vakatsanangura.
Barbra ange audyura meso, zvakawanda zvaimhanya mupfungwa dzake.
Mufundisi vakaenderera; “Iwewe uri kuona uchitongwa chaizvo, uri kuona Jehovah vehondo
vanotonga nemuururo. Uri kutarisa mhosva dzako wobva wati tit for tat, saka woona zviri nane
kugara kure naMwari. No mwanangu, Mwari havana kumbooma kudaro. Ndichamira newe
kusvika wabvuma rudo rwaMwari.”
Barbra akagutsurira ndokuti; “Maita basa.”
Vakabva vasimuka vese ndokudaidza vaive panze, vakanamata vese, varandakadzi vaMwari
ndokubuda voenda.
Amai Gambiza vakasvika kumba kwavo ndokutora mwana wavo voenda kuchipatara.
Pavakasvika panze apa vakaona bepanhau remusi uyu, ndorakange ranyorwa nyaya yakange
yaitika Svondo yapfuura, mifananidzo yaJonathan achisvika asingagone kufamba, kunamatirwa
kwake uye kusvetuka kwaakaita achifamba. Vatori venhau ava vakazotevera kumba kwake
pakati peSvondo vachida kundonyatsoona kuti haana kudzokera zvaaive here, uye kubvunza
vavakidzani kuti chaive chokwadi here kuti airwara kwegore rese semataurirwo azvaiitwa.
Nyaya iyi yakange yanyorwa as centre spread yakazadza yega mapeji epakati pebepa. Amai
Gambiza vakaverenga paiti; “Jesus of Nazareth reigning in Euthenia Ministries – powerful
healing by the maidservant of God Mrs Doris Gambiza: The lovely and humble wife to the
flamboyant and self styled Bishop and Founder of Euthenia Ministries, Mrs Doris Gambiza, has
sent tongues wagging across the City as the Holy Spirit is using her in doing mighty signs and
wonders. Her husband, the extravagant Isaac has gone awol, for months now. No official
statement has been released by the Ministry as to his whereabouts and when he is expected to
return. The wife, when asked; simply smiles and says ‘he will come back soon’. …….” Doris
akatadza kuenderera ndokupeta bepa iri ndokundorikanda mumota ndokufamba vachipinda
muchipatara kundoona baba.
Vakasvika ndokuvhura musuo zvinyoro nyoro, kuti vasaitira murwere aigara akarara uyu ruzha.
Pavakasimudza musoro vachifamba kuenda kumubhedha wake, Doris Gambiza
akasanganidzana maziso nemurume wake, Isaac Gambiza akagara pamusoro pemagumbeze
ake, achiverenga pakati pebepanhau remusi uyu ….
TOO BUSY TO DIE
CHAPTER 28
Stories by: Lovely Rutendo Nzira
“Daddy ………………..!” Tafadzwa akadaro achimhanya ndokusvikokwira pamubhedha
pakange pakagara baba vake.
“My son, Tafadzwa!!” Isaac akadaro baba nemwana vachimbundikirana nemufaro mukuru.
Amai vakafamba ndokundomira pamberi pababa nemwana. Vese vari vatatu hana dzairova
nekuve vese mushure menguva yakareba kudai. Tafadzwa akazobva pamakumbo ababa vake
ndokugara padivi, akavabatirira kumusana kunge aitya kuti vangangodzokera zvakare.
Isaac akatandavadza maoko ake ese achikwazisa amai vemwana, vakabatana maoko
ndokumboramba vakatarisana mumaziso, zvakavafungidza vese musi wemuchato wavo.
“My Doris, I have sinned against you, and against God, will you ever forgive me? Amai Gambiza
ndokuitira chii kuti undiregererewo kukukanganisira kwandakaita …..” Isaac akademba.
Doris asati apindura, musuo wakavhurwa Dr Danda ndokupinda.
“Baba Gambiza, zviri sei, I missed this. Ndange ndichida kuvepo Tafadzwa uchiona daddy for
the first time sitting down like this.” Dr Danda vakadaro vachifara nemhuri iyi.
“Yes yes doctor, toenda nadaddy kumba nhasika?” Tafadzwa akadaro akabata baba vake
ruoko.
“Only tomorrow, let’s just make sure he is fine, handitika. Amai Gambiza, tinotenda Mwari
wamunonamata. Mangwana vanobuda zvavo.” Chiremba vakadaro ndokubuda voenda.
Isaac akadhonza mudzimai wake ndokuti; “Mai Tafadzwa, ndiregererewo ………”
Doris akatsikitsira ndokuti; “All is well baba vaTafadzwa, honai kutida kunoita Mwari.
Ndakakuregererai kare kare, who am I to judge kana Mwari variivo vane masimba ose?”
Isaac akadzungudza; “I have done terrible things kwauri mukadzi wangu, I wish I could reverse
zvese.” Isaac akatsikitsira achigomera neshungu nenyadzi.
Doris akaramba akanyarara vakabatana maoko, pave paya akazoti; “Handiti muchauya kumba
mangwana? Tozotaura zvese. Asi muri kunzwa sei iyezvino?”
“Kurwadziwa nekurara chete, handichada kuona bed zvakare.” Isaac akadaro vese ndokuseka.
“Yes daddy, ayayayayaya wise King Solomon on the bed for a very long time, why kana musiri
kurwara?” vese vakangoseka hapana akapa mwana mhinduro.
“So mummy neniwo ndoda kuita testimony on Sunday, isn’t it you said vanhu vese vaite
matestimony about their families, so we will share this one.” Tafadzwa akadaro achichinjanisa
kutarisa vabereki vake.
Baba Gambiza vakada kunzwisisa; “What testimony nhai Tafadzwa?”
“Yekuti my dad is back from dreamland.” Tafadzwa akadaro achifara chaizvo.
Vese vakaseka zvakare, amai ndokuti; “Mungamutevedzera here mwana iyeye. Tafadzwa
daddy will be home tomorrow. Wozovaudza nyaya dzese.”
Doris akazodaro ave kuda kuti mwana anyarare, asi mwana ange akafarisa zvekusada
kunyaradzwa.
“Yes! Yes! And daddy do you wanna know the man who was sleeping with mummy in your bed
pamaive kuno?” Tafadzwa akadaro ndokuseka achirara pamubhedha paive nababa vake.
Vabereki vakasanganidzana meso kwenguva diki ndokutarisa mwana uyo aizviuraya nekuseka.
Baba pavasina kupindura Tafadzwa akamuka ndokuti; “A big man daddy, was sleeping with
mummy……so if you are not coming home tonight, it’s gonna be his last night in your bed…..
shame….”
Isaac akafemedzeka ndokuti akatarisa pasi; “Ndianiko iyeye nhai Doris?”
Doris akakwidza mapendekete akatarisa mwana, Isaac akadhonza mwana nesimba zvakaita
kuti Tafadzwa avhunduke achigara pasi.
“Ndiani airara namai vako?” Isaac akadaro.
“Ndi …….. ndi ………..” Tafadzwa akandandama ave kushaya kuti baba vatsamwei.
“Ndini daddy, but mummy vaingonditi I am now a big man I must stop sharing a bed with her. It
was me daddy.”
Isaac akaseka ndokudzungudza ave kunyara hasha dzaange aratidza mhuri yake.
Akabva atora newspaper riya ndokuvhura paive nenyaya yeEuthenia Ministries ndokuti; “And
this? I have always known you are not an ordinary woman mai Tafadzwa. Dai
ndakazvigamuchira nekukurumidza kuda ndisina kupinda muhospital kwenguva yese iyi. Mrs D.
Gambiza Bishop of Euthenia Ministries ……. This life……”
Doris akabva ati; “No no no, Isaac, Euthenia is yours, ndiwe Bishop of that Ministry.”
Isaac akadzungudza, “Are you divorcing me nhai Doris?”
Doris akatarisa murume wake achishamisika, “ah zvabva kupi izvozvo?”
“Nekutika kana tiri Mr and Mrs Gambiza, ndiwe leader of the Ministry.” Doris akaudyura meso
achifunga kuti asi pane ari kutaura izvi asiri Isaac.
Akabva azoti; “It’s past visiting hour, tokuonai mangwana, tichitouya kuzokutorai.”
Amai nemwana vakafamba vave kubuda, vave pamusuo, Isaac akaita zvekushingirira, kutanga
nezeve zeve ndokuzokwidza inzwi achiti; “Doris!” amai Tafadzwa vakacheuka,
“Won’t I get a kiss from my wife?” Doris akadzoka ndokusvikowira mumaoko ababa avo vange
varembedza makumbo pamubhedha, vakagukuchirana kwekanguva, Isaac ndokuzoti; “You are
my wife, my wife Doris.” Doris akazosaidzira murume ave kuzvitakanura ndokubuda asina
kucheuka.
Pazuva rakatevera, mumba maGambiza makave nemufaro mukuru baba vachidzoka kumba,
vakazorara ambuya nasekuru Gambiza vasvikawo nevanin’ina vaIsaac uye hanzvadzi yamai
Tafadzwa aigara muHarare.
Mushure memazuva matatu, vaenzi vakazoenda mhuri ndokusara vave vega. Doris aizeza
kutaura nyaya dzakasara dzichiitika kunyanya kutengeswa kweRange rover uye kutengeswa
kwemombe kumusha.
Asi Isaac wacho akange achiita seakaneta nekudzikamira zvese zvaainzwa. Iyewo aitevera
dzimwe mari dzake dzaaiziva kuti Doris aisaziva nezvadzo, asi akawana pasisina chinhu.
Akada kumbotanga agadzirisa zvemumba make asati ateverana nevekunze.
Pakupera kweSvondo iri ndopaakazoti kumudzimai wake; “Handei tinoona amai Nyandoro.”
Doris akafunga kuti akanganisa kunzwa, “Matii?”
“Yes handei tinoona that woman of God who ordained you to be a Pastor.” Isaac akadaro.
Doris akafonera amai Nyandoro avo vakabva vati ngavasangane kumba kwavo chaiko, kwete
kuConference centre.
Isaac aifamba zvake, uye kuita zvese asi aikurumidza kuneta, aisakwanisa kumira kwenguva
yakareba.
Vakasvika ndokutambirwa nevafundisi vese, amai Nyandoro uye Pastor David Nyandoro.
Mushure mekunamata nekukwazisana, Doris akaita kuti vese vazivane.
Isaac akabva ati; “Amai ndauya kuzokumbira ruregerero pane kukutukai kwandakaita pafone,
all the insults and disrespectful things zvandakataura muchinzwa, uye zvandaitaura
nezvandaifunga pamusoro penyu kubvira pamakazivana namai Gambiza. I am sorry.
Ndiregerereiwo.”
Amai Nyandoro havana kuvanza kufara kwavo; “Ndinokuregerera mwanangu, and ndinofara
nekuuya kwenyu pano. Zvandiratidza kuti uri kutsigira mudzimai wako.”
“Chokwadi amai. Hasha dzangu dzese kwaive kurwa nezvandaiona kuti Mwari vave kusandura
muupenyu hweMinistry yedu. I was not prepared for that, nekuda kwematangiro andakaita,
ndaifunga kuti mave kundidzorera kunhamo nepoverty yandaive nayo. Shoko raMwari
raisashanda muupenyu hwangu, ndakatadza kuona kuti mudzimai wandinaye anorarama
neshoko uye akashingirira zvandakatadza kuita inini kubvira ndiri Youth. Ndinokutendai.”
Vese vakange vaterera Isaac achitaura, Isaac akabva apa amai Nyandoro naPastor David
nhoroondo yeupenyu hwake hwese; kushaya basa reSocial Work raakange adzidzira, kuve
Bible study teacher uye youth yaiive Counselor muchurch. Kutambura kwake kwese
achimboshaya chekudya kana chekupfeka, hasha dzake kuna Mwari nekuzozvitangira zvaaida
nenjere dzake, zvisinei neshoko raMwari.
Akataurawo kusangana kwake nababa namai Maruta nevamwe vakauyawo kuchurch
vachingoda kubatsirwa asi vasingade kunamata, nekuzotanga kwaakaita sangano rake raive
reProsperity Gospel.
Isaac akatsanangura kusangana kwaakaita naHazel naBen, uye vamwe vanhu vaimubatsira
achivabatsirawo kufamba nemadrugs, money laundering, nezvimwe zvaisabvumirwa
pamutemo.
Aipfuura pamapurisa nyore nyore nekuti aive Bishop Isaac Gambiza; Bishop and Founder of
Euthenia Ministries. Ivowo vachitarisa muEuthenia, amai Nyandoro vakaona kuti vakuru vakuru
kana vamwe vanhu vaishanda mumaOffice evakuru v vakasiyana siyana vaipinda Euthenia
Ministries.
Vakaona kuti Isaac aive nadzo njere dzekuvaraura nekuvaunganidza vese vachiterera
zvaanoda vasingazive zvaari kuvashandisa.
Isaac akapupura kuti aiziva kuti aishandisa mbiri yaJesu neshoko raMwari kuzvipa iye mbiri
nemari.
Zvimwe zvakataurwa musi uyu zvaishamisa chaizvo kuna Doris, zvimwe zvakaita amunzwire
tsitsi, kunyanya matangiro aakaita sangano. Aisaziva zvese izvi, iye akange angoziva the young
flamboyant Pastor, Isaac wacho haana kunge ada kumbotaura nezvenhamo yake kunani zvake
akazomuona Euthenia yave nemukurumbira yabudirira.
Zvimwe zvakaita kuti Doris anzwe tsitsi, zvimwe zvakaita amunzwisisewo. Akarwadziwa
paakaziva kuti ukama hwaIsaac naHazel hwaive nezera rimwe chete nedangwe ravo Tafadzwa.
Pastor David Nyandoro vakabva vati; “Ndinotenda Mwari nazvese zvamataura, ndinoona
makagadzirira kutanga patsva. Hamuchada zvese izvi zvamange muchitsanangura. And
nekuda kwekuti mataura chokwadi chenyu chese, its easy for us to support you, it’s now easy
for your wife to do the work of God. Yes mudzimai wenyu has the anointing; her worry was
muchadzoka muchiti chii, nekuti pakaitika accident you were fighting over the change of your
church Doctrine. ”
Isaac akagutsurira achiterera zvaitaurwa naDavid, uyo akaenderera; “Honestly we did not think
this transition will be this smooth, you have an extremely submissive wife, she took time to
adjust kuti ari kushanda ega, doing things without your approval.”
Isaac akaseka seka ndokuti; “This was not a smooth transition Pastor David. My wife had to
watch me acting some horror movies in some evil offices somewhere in town, and I had to go to
sleep for half a year. Do you call that smooth?”
Amai Nyandoro vakamutarisa vachifunga zvaimunetsa, vakabva vati; “Yes ndizvozvo
mwanangu, people who are called for bigger things vanombopindana nazvo asi hazviurayi. Now
you are stronger than ever, an unbreakable team. But I see muri kunyanya kutaura about the
Ministry, amai Gambiza mwanangu, are you ok?”
Doris akaita kuvhundukira paakadaidzwa nekuti mumusoro make mange mave kudzokorora
horror movie yakange yataurwa nemurume wake.
“Matii mamma?” Doris akadaro atarisa amai Nyandoro.
“Ndiri kuti inini your marriage is your first Ministry. After all this zviri kutaurwa nababa izvi, you
need time to forgive him. You will see that at first, feelings will be dead nekuda
kwekumutsamwira, you may not feel the love for him, but make it a conscious decision everyday
to love him, till wazonyatsomuregerera. It’s one thing kutaura kuti ndakuregerera, it’s another
thing to forget and walk in that forgiveness. And iwewe Isaac, uchabatsira mudzimai wako to let
go zvimwe zvinhu zvawakamuitira, be patient and tolerant, as you forgive each other, and start
again.”
Vese Isaac naDoris Gambiza vakagutsurira vachiterera.
“Handisi kuda kuti ufambe uchinyepera nyika kuti kwedu kumba kwakanaka, just because you
are a Pastor. Uchibatsira vanhu vese kugadzirisa upenyu hwavo, asi iwe wakaremerwa
nemarriage yako. Take time mugadzirisane muri vaviri, mozoita basa raMwari mese.”
Pastor David vakabva vati; “That’s true zvataurwa namamma, even for you my brother, I know
it’s not easy for you to just let go system yawange wajaira, as the Bishop, running things your
way. Mamma vati mukoma Isaac you should help amai to forgive you pane zvakaitika, with
patience and tolerence. Asi amai Gambiza, ndokukumbiraiwo kuti mubatsire baba in adjusting
zvese zvemuchurch. You are the Euthenia Bishop according to the ZNPC papers yes, but you
are still his wife and this is the church baba Gambiza started and developed, respect that pane
zvese zvamunoita and ivo baba will support you.”
Isaac akanyemwerera achitarisa mudzimai wake nekona yeziso, madzimai akaterera
vakanyarara.
Pastor David vakaenderera vachiti; “Dai Mwari vaida vaikwanisa kukupai another ministry, a
new ministry, but you were anointed for this particular one for a reason. God is love, Mwari
vanoda vatendi venyu vemuEuthenia, ivavo vacho vakatanga nababa Gambiza even if it was on
wrong foundations. Uye Mwari loves the founder of this church, ndosaka mese makaramba
murimo. Like what mamma said, work on your marriage, first then the Ministry later.”
Pastor David vakambonyarara ndokuzoti; “Mukatadza kugadzirisa the boundaries emumba
menyu, even emuchurch munomatadza. And kana mukazvitadza zvese zvinodonha, then your
enermies will celebrate. As it is munenge mune vakawanda vanoda kuona mai Gambiza pasina
kwamunosvika.” Pastor David vakadaro.
Amai Nyandoro vakabva vati; “Thank you Pastor David, nhasi baba namai Gambiza mauya
kumagweta chaiko.” Vese vakamboseka amai vave kudirira vaenzi vavo zvekunwa.
Pastor David vakabva vati; “Mundoverenga autobiography yaJoyce and her husband Dave
Meyer. Vakatanga kunamatira church yavo vese, and they thought it was obvious Dave as the
man, was going to be the Pastor, asi Mwari vakadaidza Joyce. Not saying Dave haana
kudaidzwa or haana zvaari kuita, but the woman is the preacher, and baba is working behind
the scenes. In her several publications, Joyce says basa riri kuitwa naDave, his leadership and
management of the Ministry, makes it possible for her kuzadza auditorium and preach the way
she does.”
Pastor David vakaenderera vachiti; “Learn from them, mese you are believers, find your calling,
you were a layman Baba Gambiza, nekuti you were not walking in your purpose. You also told
us counselling and rehabilitation yamaiita as a youth, maybe God wants to use you in that. Apa
munenge mave kuita using the word of God. Counseling, teaching, men to be faithful and
responsible. What matters is basa raMwari raitwa zvematittles izvi ndezvepano pasi, kudenga
hakuna izvozvo.”
Vese vakambonyarara vachifunga nhaurirano yavo yange yavatorera maawa.
Amai Nyandoro vakabva vati; “Isaac Gambiza mwanangu, chipfugama tinamate, utange a new
journey with Christ. Starting by the sinner’s prayer, tozoronga water baptism, tozoita Holy Spirit
Baptism according to your desires, zvinodokwairira mweya wako, Mwari vanokupa.”
Isaac Gambiza akapfugama ndokuita munamato wekugamuchira Jesu.
Asati asimuka Pastor David vakamubata musoro ndokutanga kumunamatira, pasina nguva
vange vave kumubvisa mweya wekuzvida. Isaac akaumburuka pasi semwana mudiki aputirwa
naMweya Anoera mweya wepride, kuzvinzwa nekuzvitutumadza uchishaya nzvimbo mukati
meupenyu hwake.”
Doris aivepo akatarisa achinamata nekutenda Mwari nezvaiitika mumba mavo izvi.
Pashure peizvi amai Nyandoro vakatsanangura; “Baptism by the Holy Spirit tinoiona nemabasa
enyu, that is the gifts of the Holy Spirit kutanga neprayer and speaking in tongues. As in 1
Corinthins 12:7-11; wisdom, knowledge, faith, healing, miracles, preaching, discerning,
speaking in tongues, and interpreting the tongues. Izvi munogona kutozviita kumba kwenyu
mega as you pray together and read the Word of God.”
Pastor David vakawedzera vachiti; “And because we are Christians, we are to have the 12 fruits
of the Holy Spirit; love, peace, patience, kindness, chastity, generosity modesty, goodness,
faithfulness, humility and self control this. As you were doing amai Gambiza in your Bible
Studies in church, you have emphasized this to the whole church. But I am saying as you work
on your marriage, the fruits of the Holy Spirit will help you chaizvo kuti mugadzirisane and this
will lead you to get the gifts of the Holy Spirit. You both know these things, but shoko raMwari is
something chinoda kugara chichirovedzerwa everytime, for it is new everytime.”
Pastor David vakazosimuka ndokuti; “We will have dinner and more meetings, regai
ndimboenda kuConference centre ndine meeting in an hour’s time. It was nice knowing you Mr
Gambiza, we are now family.”
Pastor Nyandoro akatarisa amai vake achinyemwerera ndokuti; “mamma do you want a
daughter or a son, or both make your choice vese varipo ava.” Vese vakaseka Pastor David
ndokubuda vachisiya amai vavo nevaenzi vavo.
Pastor David vakasvika Conference Center ndokupaka motikari yavo ndokufamba vachienda
kwaive nemaConference Rooms nemaOffice avo. Vakasvika ndokuona kuOffice kwaIsabella
door rakavhurwa vakaziva kuti aivemo.
Vakasvika vakafara vachida kutaura nemudzimai wavo, asi vakasvika pamusiwo ndokuona
Lewis Katsande akagara muOffice umu nemudzimai wavo.
“Mr Katsande makadii? Or toti maswera sei, munenge mave kutoshanda nesu pano.” David
akadaro.
“Pastor, how are you, aiwa ndange ndauya kuzoona mamma, ndave kutoenda zvangu.” Lewis
akadaro achiona kuti munhu waaitaura naye ange asina kufara kumuona.
Isabella akabva ati; “oh honey, ndange ndave kuda kutokufonera, your guests are here.”
David haana kupindura zvakataurwa navadzimai vake, akaramba akatarisa Lewis; “Mr
Katsande, are you still apologizing to my wife?” Pastor vakadaro. Vese Lewis naIsabella
vakaramba vakanyarara.
Lewis ndokusimuka achiti; “Thank you amai Nyandoro, maybe tichadzoka next week
nemudzimai wangu tozoona mamma Nyandoro pane zvatisati tapedza kutaura navo.”
Akabva abuda asingade kunzwa kuti mufundisi uyu aizoti chii.
Vasara vega, Isabella akati; “I set up the Board room ndokuri kusvikira vanhu vaye, handiti tiri
kuenda tese, handei.”
David akatarisa watch yake ndokuti; “There is still 15minutes ndakavati na3. Gara apo
timbotaura.”
Isabella akagara pasi, David ndokuvhara musuo achiti; “I don’t want kuona ex wako uyo around
you anymore, kana takataura naye paye when he apologized what else does he want from
you?”
“Inga ati ange azoona mamma, nothing else.” Isabella akadaro.
“I know what I am talking about, he is not happy in his marriage, aifunga kuti if he apologises to
you zvingangomuitira akafarawo kumba kwake. I trust you but zvekuti uve friends nemurume
uyo, No. Handidi.” David akatsanangura asingaseki.
Isabella akagutsurira ndokuramba akanyarara. David akabva ati; “I was telling the Gambiza’s
the same story kuti your marriage is your first ministry, tumwe tunhu twakaita sekusekererana
nanaKatsande so, twunogona kukanganisa our relationship. You are a Pastor’s wife Isabella,
always remember that, handidi things that may disturb my peace of mind zvichikonzerwa newe.
I may trust you, knowing you, and loving you. But how about vanoona? Mukadzi waPastor
David Nyandoro anongogara ane ex husband yake? It’s just that my mother is helping them but
zvange zvakanaka vasauye pano, vaite nyaya dzavo kuEuthenia ikoko. You are a Pastor’s wife,
protect my image and my dignity”.
“It’s fine, I get you. That won’t happen again.” Isabella akadaro achibata murume wake ruoko.
David akasimuka achiti; “Ok handei, give me your diary ndikubatire tiende, let me lock your
office.”
Vakadungamidzana vobuda vachienda kwavaive vamirirwa nevavaisangana navo.
Lewis akasvika kumba kwake ndokuzorora achifunga kwaange abva. Barbra akapinda
ndokugarawo vave kuona tv.
“Ko hauna kumbondiudza kuti mamma Nyandoro vakati chii?” Lewis akadaro.
“Kuti chii pamusoro pechii?” Barbra akanyepera kusanzwisisa.
“Zvamakasara muchitaura mega.” Lewis akadaro.
“Hoooo ok, vaingotaura about deliverance, vakati tozoita zvimwe ndasununguka.” Barbra
akadaro ndokubatisa Lewis dumbu rake kuti anzwe mwana aitamba.
“Haufanire kusununguka next month here iwe?” Lewis akadaro.
“Ah iwe am 6 months pregnant, 3 more to go.” Barbra akadaro achiseka achizembera musofa.
“Umm the first time wakati you were three months pregnant pawakaita accident paye.” Lewis
akabvunza.
Barbra akasimuka achiti; “Waigozvinzwa sei iwe waive wakatsamwa, uchindidzinga pano.
Ndakati 3 weeks ini.” Akafamba achibuda achisiya Lewis nemwana vari vega.

TOO BUSY TO DIE


CHAPTER 29
Stories by: Rutendo L.Nzira
Musi weSvondo wakatevera, muEuthenia Ministries maive nekupembera nekufara kudzoka
kwababa vakuru vesangano. Nziyo dzese dzaive dzekurumbidza Musiki nekuchengeta mukuru
wesangano ravo.
Amai Gambiza vakapa testimony sekuvimbisa kwavange vaita svondo rapfuura. Testimony iyi
havana zvavakataura zvakawanda vakangoti vachishama muromo vanhu ndokutotanga ruzha
rwekufara nekupembera, nekuvapedzisira kutenda Mwari.
Kana iye Isaac Gambiza ange akagara padivi pababa namai Maruta akashama nerudo
rwakadai. Aiziva muchurch umu vanhu vakanyarara, ruzha rwaive rwake iye achiparidza mari
nekungoti “ayayayayaya money come to me now” with over-amplified sound systems, uyewo
ruzha rweinzwi raHazel achiimba ega achitsigirwa nesound system vanhu vese
vakangomutarisa achizvida, uye kuonererwa naiye Isaac. Paizoti pave kubviswa mari, vaive
nayo ndovaingwara ngwara vachiita makwikwi ekuisa mari kumuBhishopi asi pasina rudo kana
rufaro serwaange aona apa. Vanhu vaiita sevaiisa zvibairo kana sevaitenga upenyu.
Bva apa akanzwa rudo rwakange rwopfachukira muimba maMwari, vanhu vachifara vese
panguva imwe chete, nekuimba vachitamba vese vakasununguka.
Amai vavo, Mufundisi wavo, mamma Doris vachiendawo kumberi kundoimba nekutamba,
dzimwe chembere nemadzimai vobva vauyawo kumberi vese vachifara.
Mazuva ake uku kwaive kuita kusina class, kwaisaitwa muchurch make. Apa akaona kuti vanhu
vakange vasangana sangana, makange mave nevaibva kwakasiyana siyana from all social and
financial backgrounds.
Mushure amai Gambiza vakaparidza pamusoro pekutenda Mwari pane zvese zviri mukati
meupenyu hwedu, kubvira pakusvinura ziso rako mangwanani ega ega kusvika paidzo dzimba
nemota nevana zvinoonekwa nekudiwa nevanhu vese.
Pakazodaidzwa vanhu kuzogamuchira Jesu, Isaac akatarisa zvake achiona amai Tafadzwa
vachipenya neMweya Mutsvene, vachitungamira vanhu kuruponeso.
Pakazodaidzirwa vaida kunamatirwa musi uyu church yese yakaita seyaenda kumberi, vese
vaida kubatwa misoro yavo naamai Gambiza, vachiwana zodzo yavo, kwete zvavaiita kare
kuonererwa nekumubata maoko pamusuo,kuti vaonekwe naye Isaac, zvaive zvisinei naJesu
wavaifunga vese kuti vanounganira every Sunday.
Chemusi uyu Mwari vekuDenga vakaita kuonererwa naDoris kuti Isaac azvionere kuti aitambisa
nguva yevanhu asina chaaivapa, semanyorerwe azvakange zvaitwa mubepanhau raakamuka
achiona, Jesu weNazareta akange otonga muEuthenia Ministries.
Pakauya vanhu vachida kuzonamatirwa, mweya yaiparadza dzimba yakachemedzwa ichitaura
zvakawanda ichibuda, vabereki nevana vakaumburudzwa pasi. Vakange vauya vasiri mhuri
dzakakwana Pastor Doris akavapa zuva repakati peSvondo kuti vauye vese azogadzirisa
zvainetsa mumba mavo. Ndiwo musi wakazadzikiswa kuti amai Gambiza vaive vakadaidzwa
kuhushumiri hwekugadzirisa misha yevanhu.
Pavakazogara pasi amai Gambiza muviri wese wange wangove dikita rega rega. Mudeacon
aitungamira musi uyu akabva azoti;
“Tange tisina kutarisira kuuya kwaBaba nhasi, asi tiri kufara chaizvo saka hatingarege
vachibuda pasina chavakabata. Tiri kuita love offering yekutambira baba. Uyai nepamunapo
titambire baba vadzoka.”
Vanhu vakasimuka nezvipo zvemari vachiisa mubhasikiti raive mberi. Vakawandawo
vakanyoresa kuti mari dzaizouya svondo raitevera. Pakatobuda mari yakawanda yaisatarisirwa
naex-Bishop sezvo pange pasina kumbotangwa pataurwa twisted verses ekumonyorora
zvaaireva kana kutyisidzirwa kunzi ukasaibvisa business rakorinoparara.
Vese vapedza, veCell group rekumusha kwaSeke vakasimuka vachida kutaura vega.
Mutungamiri wavo akadaidzira achiti; “Isu tinoda kutenda chaizvo amai vedu mai Gambiza, tave
kuziva Bhaibheri chaizvo nerutsigiro rwavo. Kare taingoziva kuti machurch ari muno
mudhorobha kwedu uku hapana vaida kuzotionawo, asi nhasi tiri muno. Tafara kuona baba
nhasi tange tisingavazive. Mari hatina hedu asi tine mombe dzedu dzeMushandirapamwe wedu.
Kubvira patakatanga kunamata namai Gambiza, kubudirira kunotaurwa nezita Euthenia
kwakaitika paMushandirapamwe wedu, mombe hadzi dzese dziri kutarisira zvimhuru, saka tiri
kupa baba mbiri dzacho dzine mazamu nekuti panoti Euthenia ndopanoti double double.”
Mhururu nemiridzo zvakatevera chipo ichi.
Isaac akatarisa vanhu ava achiona vari varimi vekumusha kuruzevha vaaisatarisa mazuva ake
aaive the mighty Bishop of Euthenia Ministries.
Mushure mezvipo vanhu vese vakaparadzana, maDeacon nemaElder vachisara vachiona baba
Gambiza, avo vasina zvavakataura kunze kwekungonyemwerera vave kuda kuenda kumba
kwavo kuti vambononyeya vachibvunza vadzimai nezvevanhu vatsva vega vega vakange
vakazara vachinyangadza muEuthenia Ministries.
Pavakasvika kumba, amai Gambiza vakaona kuti murume akange aneta nekugara kwaange
aita zuva rese muchurch, makumbo ave kutozvimba. Vakakurumidza kugadzira chikafu kuti
baba vadye vabve vamborara.
Baba Gambiza vakabva vati; “Ko maCell groups ave kwese kwese nekuruzevha uko?”
“Ehe daddy, the church expanded outside Harare nekuda kweBible Study, maDeacon anoenda
kundotsigira kwese kwese, vanhu vasaparara nekuda kwekusaziva.”
Isaac akambonyarara ndokuti; “Vanhu vekwaSeke ndovadzosa mombe dzangu? God has funny
ways of restoring things.”
“I don’t find God’s ways funny anymore, am so comfortable in any way inotaura Mwari, I don’t
reason with His ways anymore.” Doris akadaro ave kubatsira baba vaTafadzwa kutandavadza
makumbo avo ange orwadza.
Isaac akabva ati; “Kana ndasimba ndave kukwanisa kumira ndega ndichapupura muchurch,
ndoda kuti vanhu vazive kuti ndinotenda rudo rwaMwari.”
Doris akatarisa murume wake ndokuti; “Kana mukataura zvemadrugs enyu nezvana Hazel
ndokubvisai kumberi ikoko. Wave kuda kutanga futi kundishaisa peace, uchindinyadzisa. That’s
all you do, embarrass me with your fake life, always running after useless things, nevanhu vako
vasingachaonekwi even mustreet. Manje vanhu vese vanozviziva kuti Hazel aive pfambi yako
ndosaka asingachauye kuchurch….. nxaaa, kana wapora muchadzokerana right? Uye munhu
wese anoziva kuti Thomas uya ave kuridza key board……” Isaac akagwesha pasofa paaive
achiswedera kwaive namai Tafadzwa ndokuvabata muromo kuti vanyarare.
“No mai T, please, no, handitaure anything chausingade, iwewe ndiwe uchandiudza kuti
ndozvitaura sei. But unofanira kuziva kuti the church deserves an explanation or even a hidden
apology from me, please, Pastor Mrs Gambiza allow me to do that.” Isaac akadaro
ndokufemedzeka akabata muromo wemudzimai wake.
Amai Gambiza vakanyarara ndokubwaira bwaira vachizvitakanura kubvisa maoko ange
avavhara muromo kuti vanyarare kutuka kwavange voita. Amai vakanyarara vachiona kuti
vange vatadza kuzvibata vakarudunuka nehasha. Vakatsikitsira pasi vave kumbodzikama ava
baba vangobata vadzimai maoko vakanyarara. Doris akafemedzeka ndokuti; “Its fine.”
“Yes my love, it’s fine. It will be super fine soon. I am glad mamma Nyandoro warned us about
this, forgiveness is a process, and it needs time. I know you have forgiven me. I will help you
forget about everything, even if it takes all our life. I love you Doris.”
Amai Gambiza vakasimuka voendesa ndiro dzavange vadyira kukitchen, vakadzoka Isaac
atove mumagumbeze achinge aibvunda nechando nyangwe zvako kwaisatonhora.
“Ko tikambodzokera kwaDoctor mangwana, munosvika rini muchiswera makarara?”
“Ndiri right, next appointment is Wednesday. I have noticed something though. On the day of
my appointment with the Doctor, ndinenge ndakasimba chaizvo, but mamwe mazuva
ndichinetseka kana kumuka.” Isaac akazviseka, akaenderera;
“And also whenever we pray together, and I focus on a certain fruit of the Holy Spirit, once I get
assurance yekuti I have it, ndinotopora something mumuviri mangu. When I received humility tiri
kwana Nyandoro majoints akapora. I was praying for patience and self control, I feel strong
again, handichaita dzungu riya rainditadzisa kugara kwenguva yakareba. This is my own battle
sweetheart, I will win it, God’s love for me is too much for me to lose this. Rega ndimborara for
an hour or so, tozopedzisa Paul’s letter to the Ephesians tobva taita naPhillipians yacho.
Uchatondipa cell group rekuendawo for Bible Studies……. ” Isaac Gambiza akazopedzisa
avhara maziso ndokubatirwa nehope akasekerera. *****
Pakati peSvondo rakatevera, Isaac akakumbira mudzimai wake kuti vaende vese kuBedzanyota
kundoona Hazel. Amai Gambiza vakamboramba asi mushure mekutaurirana Isaac achiti
aingozoendako chete, vakabva vabvuma ndokuenda vese.
Hazel akashamisika kuona baba naamai Gambiza vachipinda muoffice make vari vese. Amai
Gambiza vakamutarisa vachinzwa kuvira pamwoyo neshungu dzezvakange zvaitika
pavakapedzisira kubva panzvimbo iyi. Havana kugara pasi, vaGambiza vakabata mudzimai
wavo ruoko vachida rutsigiro rwese rwenyama nerwemweya.
“Sister Hazel, ndakanzwa makatora mari yaive kuBank yese. But hazvisirizvo zvandafambira,
ndauya kuzokumbira ruregerero, that is if as your church leader or as a friend, I misled you in
any ungodly way. Hushamwari hwedu hwaive chitema kuna Mwari. Ini zvangu ndinotenda
Mwari ndaive nemhuri kwekudzokera, dai Mwari akupawo mhuri yako usatambisirwe nguva
nevasinei newe. Give your life to Jesus, I just did. Handei Pastor Mrs Gambiza.” baba namai
Gambiza vakafamba vachibuda, vachisiya Hazel azara misodzi yeshanje mumaziso.
Akavatarisa akamira mukati achiona vachifamba zvishoma nezvishoma vashandi vese
vachivakwazisa zvavange vajaira akanzwa dzungu rehasha nekupererwa.
Manheru aya Hazel akadaidza vakomana vaaimboshanda navo achirongerwa naSweetman,
vakauya vese vari vatatu apo vanhu vange vachaisa.
Vakandogara muOffice make Hazel ndokuti; “Boys ndoda kuti tiite kidnap style yemuMovie
chaiyo. Tora photo iyi,” Hazel akatambidza mumwe wevakomana ava mufananidzo
waTafadzwa Isaac Gambiza.
Hazel akatsanangura; “Mwana uyu ari grade 2, zita rechikoro neaddress yepamba zvakanyorwa
kuseri kwefoto. Munondomutora mogara naye ndozomutora inini ndoenda naye kwandinoziva.
Mari ndokupai yababa vake yavakashanda makore ese vasati vapusiswa nemukadzi wavo.”
Vese vakamboseka zvaitaurwa nabosslady.
“Ndichachengeta mwana wavo to prove kuti minamato yavo haishande chinhu, and I will torture
him ndozomudzorera kana Isaac atuka Mwari munamato waramba kudairwa hahahahaha.”
Hazel akataura seakadhakwa vamwe vake vachimutsigira kuseka zvavaisanzwisisa kuti vari
kutaura nezvei.
“Ndinenge ndichivatumira mafotos emwana akazara ropa kana kuti ndichitomurova, torturing
him the way the father did to me. Kana ini ndisingafari, ndisina peace so, naivowo havafanire
kufara. Vachazviona kuti Mwari anotonga kudenga chete, pano pasi pane varidzi, isusu.” Hazel
akadaro ndokuvhura bag remari ndokuverenga opa vakomana vaakange apa basa
rekwaGambiza.
“Bosslady, kuri kutonhora too bad, tingamboitawo tea?” mumwe wematsotsi akadaro
achigadzirisa hat yake yainge yetororo rechiArab.
“Ok guys, endai kukitchen iyo iri kwekupedzisira uko, padyo nemusuo wekugarage kune
marhori ese emadeliveries. Kuseri ikoko ndopane mota yamuchaenda nayo and pane
macontainers akawanda epetrol. Endai mundoisa mvura yetea paGas stove irimo, mutarise
muFridge munomboita nyama yavanobikirana lunch pano ndiri kuuya.”
Vakomana vese vakaenda kukitchen Hazel achindosiya bag remari yake kuOffice kwake.
Akadzoka ndokubva vagara vese vave kunwa tea iye achinwa coffee yake akavatarisa
achifunga kunakidzwa kwaaizoitwa nekurwadzisa Tafadzwa waDoris naIsaac Gambiza kutsiva
zvavakange vamuitira.
Vakazodya nyama yembudzi yaivemo iyo yavakangokwatisa nemunyu ndokudya yakadaro.
Hazel akavaratidza mota yavaifanira kuzotora pazuva raitevera kuti vaishandise kundoba
Tafadzwa Gambiza kuchikoro kwaaidzidza.
Vakasekerera vese matumbu avo azara nekutsindira nyama neputugadzike, vakazobva apa
vese vachibvuma kuti zvedi paive paBedzanyota, nzara nenyota zvange zvapera zvese.
Vakazobva apa pakati peusiku papfuura voenda kudzimba dzavo vachironga mashandisiro
emari yavange vabhadharwa iyi, uye kuronga basa ravaive naro pazuva raitevera.
Hazel akasvika mumba make ndokubvisa majeans aange akapfeka opfeka mbatya dzekurara
nadzo. Akatarisa mbatya dzaIsaac Gambiza dzakange dzasara mumba make akaita hasha.
Akafunga mazuva avaive tsika nditsikewo achinzwa sekuti aive padyo naIsaac Gambiza
kupinda mudzimai wake. Nepaakatombofunga kuti vaizorambana akaita iye amai Gambiza
sezvakange zvaita Barbra kwaKatsande. Hazel akaridza tsamwa achifemedzeka neshungu.
Akapinda mumagumbeze ake achiridza tsamwa neshungu dzekuona kuti Isaac aenda
zvachose, ange ave munhu mutsva haaizodzoka kwaari. Paange obatirwa nehope nhare
mbozha yake yakarira akaona ari Manager weSecurity Company yaishanda pabusiness rake.
“Madam, Company yatsva, Guard ari kuti panenge pasiiwa gas stove iri on, saka yabatira
nekuseri kukitchen kuya kune fuel, mota dzese, building yese yaparara ……”
Bepanhau rezuva raitevera raive nemusoro wenyaya waiti; Bedzanyota Drinks gutted down by
fire; reduced to ashes.
Mwedzi yakafamba, Barbra ndokusununguka mwana wake, another bouncing baby boy
wavakatumidza kuti Tanyaradzwa. Kuve nemwana uyu mumba kwakambovafadza vese uye
kuvarangaridzawo Tichaona achiri mudiki. Barbra haana kuda kudzokera kuna amai Nyandoro
sekuvavimbisa kwaange aita. Asi akakwanisa kumbobatana nababa vevana pano neapo
pakunamata.
Tanyaradzwa paange ave nemwedzi minomwe ave kukambaira, amai Nyandoro vakauya
kuWomen’s Fellowship Meeting kuEuthenia Ministries kwavange vadaidzwa namai Gambiza.
Barbra akashama kuvaona sezvo ange asingavatarisire.
“Amai Katsande kwakadii kumba mwanangu? Vari sei vana vako?” amai Nyandoro vakadaro
vakafara semazuva ese.
Barbra akapindura achinge ane kwaaimhanyira, asi amai ava vakamubata ruoko.
“Ndange ndakakumirira, sekutaura kwatakamboita, you need to complete your deliverance.
Yave nguva yekuudza murume wako chokwadi.” Amai Nyandoro vakadaro.
Barbra akaita seachadonhera pasi, akabva ati; “But nhai mamma, kana ndakaita confession
kuna Mwari, imimi mukandibatsira kunamata, zvekuudza baba vaTicha zvine basa rei? Handiite
zvakadaro ini, mave kuda kutoparadza imba yangu ndimi imi.” Barbra akadaro achipererwa.
Amai Nyandoro vakabva vati; “Ndiri kungokuudza zvandinoziva zvichakubatsira, chandinoziva
ndechekuti the devil takes no captives. Satan picks, uses and dumps you. Satani anokuitisa
zvinhu asi haakuchengetedzi, ndokusiyana kwaakaita naJesu watinonamata.” Amai Nyandoro
vakatsanangura.
“Our God protects us, asi satani anokuitisa zvinhu asi he will again expose you kuti nyika yese
ione zvaaikuitisa muchihwande. Saka ndiri kuti chii apa? Murume wako achangouya kumba
mumwe musi achitaura zvese zvaunofunga kuti haazive, ndopowozoita sei? Dai wapupura
nemuromo wako wega, womukumbira ruregerero. Inini namai Gambiza tokubatsirai kuti
munzwisisane. Whatever zvaachakutaurira tokubatsira. Asi zvaangaite kana anzwa nemakuhwa
handingazivewo mwanangu. And remember Mwari ndiMwari wechokwadi. Tingati Mwari anoda
mudzimai uyo nekumubatsira kuviga zvakaipa zvaakaita kumurume wake here? Mwari anoda
mese, iwewe nemurume wako, and He has plans for you both, of a hope and a future. Trust
God vakugadzirire future yako. Izvo ita wega, it’s a step of faith on your part, and I will support
you.”
Barbra akafemedzeka ndokuti; “Ok mamma, ndichandotaura naye ndigoona musi
wekukudaidzai kuti ndizomuudza muripo.” Vakabva vaparadzana.
Barbra akaenda kumba kwake asina mufaro zvachose, bhomba raakange aseta musi waabva
kuMasvingo range romunetsa nekuda kuputika.
Manheru vapedza kudya, Barbra naLewis vakasara vakagara vega vachiona tv. Lewis akanga
akarara zvake pasofa, Barbra hapana chaaiona, aingovhunduka achifunga zvaigona kuitika
kana Lewis aizoziva zvakaitika pakusangana kwavo. Barbra akabata bata fone yake ndokuti;
“Hiiii Lewis sha inzwa izvi, nyaya yemukadzi uyu yakaiswa paFb on this Forum, paLets talk with
Auntie Rue”
“Nyaya dzevakadzi dzinopera here? Hanzii?” Lewis akadaro achiterera.
“Mukadzi uyu akasiya vana nababa vavo akandoroorwa kumwe but haana kumboudza murume
akazomuroora nezvevana vake. And murume wacho wechipiri aive nemukadzi wake, ndiye
akandovarambanisa, so ari kuda kuudza murume wake. Uri iwe ungamuregerera?” Barbra
akadaro atarisa murume wake.
Lewis akamuka ndokunyatsogara pasi; “You mean munhu anotiza vana ondoroorwa and never
discloses that? That’s huge hey.” Barbra akaramba akanyarara achida kunzwa. Lewis
akaenderera; “And that same person ondorambanisa vanhu obva apinda mumba maive
nemumwe mukadzi, but how is that possible?”
Barbra akambotsenga mukanwa ndokuti; “Oh, murume akamuroora pechipiri aive murume
weshamwari yake so paakasiya vana akandogara navo akavaitisa some problems
vakarambana ndokubva aroorwa.”
“Uri kuzviverenga paiko izvozvo?” Lewis akadaro achida kutora fone yaBarbra asi akabva
aikanda kure navo.
“Inga ndati zviri paForum iyi Let’s Talk with Auntie Rue, pindura zvandabvunza kani, unofunga
kuti chii chingaitike kana murume wake akazviziva?” Barbra akadaro.
“Ah iwe zvinoitwa nemunhu 1 here zvakadaro? Kusiya vana, kuvanza vana vaakatakura
mudumbu make, kuna amai chaivo vanoita zvakadaro? Then what else, kurambanisa vanhu
vaakawana vakazvigarira mumba mavo? Zvese munhu 1 chete achingoita mashura akadaro?
Asi she is the devil’s first born daughter? Munhu akadaro should burn in hell.”
Lewis akadaro achisimuka ndokubata Barbra ruoko achiti; “Handei tinorara, uchiri kuda kugarira
chiiko?”
“But imbopindura, unofunga kuti murume wacho aite sei, what advice would you give kumurume
wacho?”
Lewis akaseka ndokuti; “Yakubata chaizvo nyaya iyoyo. Ndomuudza kuti tiza neupenyu hwako
muface wangu, wauri kuti mukadzi wako achakuuraya, history repeats itself, anogona
kuzongosiyazve vana or destroy some other people’s lives, atove ne experience of serious
destruction and she won’t stop. She is a danger to society.”
Barbra akabva ati; “And wakaoma moyo, even vanhu vachinamata vanodaro here? Handiti
Mwari rudo, and Mwari anoregerera zvese zvese.”
“Uya kani Barbs, siyana nenyaya dzekunyepa dzepaFacebook idzo” Lewis akadaro achibvisa
pyjama-shirt yake achiikanda pasofa ndokudhonza bhande range rakasunga night gown
remukadzi wake voenda kundorara.
Pazuva rakatevera, Lewis paakangobuda achienda kubasa, Barbra uyo ange aita usiku hwese
akasvinura akabva afonera ambuya Mangena.
Akasvetuka nemufaro mukuru pavakadaira phone yavo.
“Amai Katsande mwanangu. Ko kurova kudaro hanziiko” ambuya vakadaro vachidaira fone
yavo.
“Ndaingokutsvagai asi mange musingabatike. Ndouya kuzokuonai izvozvi. Pandimire pakaipa
munofanira kundibatsira please, hazvisi kutomboita.”
Ambuya Mangena vakabva vati; “Uya zvako ndiripo, ndakakumirira.”
TOO BUSY TO DIE
CHAPTER 30
Stories by: Rutendo L. Nzira
Barbra akasiya vana naChido ndokubuda oenda Warren Park kwaambuya Mangena. Akawana
vakamumirirawo zvedi, vakakwazisana ndokumbotaura taura pamusoro peurwere
hwaTichaona.
“Ko kubvira paakakuvara handina kumbozokuonai.” Barbra akadaro achigara pasi.
“Basa kani amai Katsande mwanangu, ipapa ndaive kuDurban kugungwa kwandinondopinda
mumvura, handiti unoziva ndine shavi renjuzu rinondipa masimba ekurapa aya. Saka ndange
ndambonopiwa zvitsva.”
Barbra akasekerera ndokuti; “Oh ok, saka ndauya nguva yakanaka. Pane vakadzi vandinetsa,
ndinoda kuti mundigadzirire vandide chaizvo, vaterere zvandinotaura chete vasandimanikidze
zvandisingade, nekuti vave kupindira mumba mangu, handizvide.”
Ambuya Mangena vakavhura kanhava kavo ndokubudisa girazi ravo raivaratidza zvese vasati
vapa murapwa wavo mushonga. Vakarova rova girazi nekamuswe kavaive nako ndokufemba
bute ndokupawo rimwe kuna Barbra. Vakabva vati; “Vanonzi ani amai ivavo uye vanoerei?”
Barbra akati; “Irene Nyandoro, mutupo handizive, ndovaera jesuka vaye.” Akadaro ave kuseka.
Ambuya Mangena vakataura zita riya vakatarisa mugirazi riya kunge raive nenzeve vakatarisa
mugirazi ndokuudyura meso kunge vabatwa nemagetsi, vakakurumidza kuvhara girazi ravo
ndokuriputira nejira ravo dema ndokudzorera mukanhava kavo.
Vakapukuta dikita miromo ichihuta ndokuti; “Ndevepiko ivava vanenge mheni, iwe mukadzi iwe,
vanhu vaunofamba navo ava zvavachandiparadzira mirror rangu, wakavazivirepiko? Gara kure
nevanhu vakadaro unofa. Dai mirror rangu raputsika waifa iwe.”
Barbra akavhunduka ndokuti; “Ndosaka ndiri kuda kuti muite kuti vasiyane neni, vandifarire
sezvandiri.”
“Siyana navo, ita nezvako nemurume wako. Ava zvitopota chaizvo.” Ambuya Mangena
vakadaro vasingade kuti Barbra aone kutya kwavange vave kuita.
“Ok chindipai wekuti murume wangu aterere inini asaterera zvavanotaura.”
“Vave kuda kuti ureurure handiti?” Ambuya Mangena vakadaro vachinge vaizeza kuti vamupe
mushonga.
“Nhai zvinoita izvozvo?” Barbra akadaro achidzungudza.
“Pakaoma, ndokupa asi umm, gadzirisa murume wako kuti nyangwe vakamuudza asaite hasha,
aite hasha dzinodzoreka. Nyangwe akatsamwa imba isaparare.” Ambuya vakadaro.
Barbra akatarisa amai ava akafinyama; “Ko makange mandodiiko kuDurban nhaimi? Ndiri kuti
handidi kutaura zvese zviya, ndiri kuda mushonga une simba rese. Nekuti akasatsamwa nhasi,
mangwana anotsamwa agondidzinga. Ngaasatomboziva zvachose.”
Ambuya Mangena vakasimuka ndokudzoka nekapepa kaive netwuupfu twusina kuzikanwa
naBarbra kuti twaive twei.
Vakamutambidza vachitsanangura; “Wondokwatisa wakasanganisa nembatya dzemurume
wako dzemukati, unoisa mupoto hombe hombe 5 litres chaiyo. Usvusvu hwacho wocherera
pamusuo penyu kuti wese anopinda mumba mako anenge ambotsika nepahwuri. Ndokuti
vanhu vese vakuterere. ”
Barbra akatambira akafara ndokuti; “Ndonoita futi nhasi? Haurare mumba here seuya
wekutanga?”
“Aiwa uyu haunei nenguva uyu, uye unoda mbatya dzemukati dzakasviba saka yauchabvisa
nhasi neichabviswa nemurume wako hauwache. Tinoda kuti kupindirana kwemunhu nemunhu
kusangane chaizvo chaizvo. Saka ukaisa hwese mugomba riri pamusuo, wosiya twushoma
mukapu twauchasanganisa nesadza renyu ramuchadya musi iwoyo. Ndokukusunganidzai
zvachose. Haachasimudza musoro Katsande wako uyu, kana ukamuramba uri iwewe
anozvisungirira, akakubata une chikomba anoti sorii amai mwana ndakuonererai.” Vakadzi
vakaseka chikwee vachirovana maoko nebudiriro yavaitarisira apa.
Ambuya vakabudisa midzi neminhenga yakasiyana siyana; “Pasi pegomba usati wadira
usvusvu, unotanga kuisa izvi.”
Barbra akanzwa kufara negadziriso yemumba make iyi. Barbra akazoti; “Saka mati ndinoita
maporridge akawanda sei?”
“5 litres chaidzo, unoitira mupoto hombe, twuupfu itwotwo twunozadza 5 litres unongoisa mvura
yakakwana chete.”
Barbra akagutsurira achinzwisisa chaizvo ndokutakurana nemapasuro ake oenda kumba
kwake.
Manheru aya amai vaTichaona vange vakafara chaizvo, zvekupa Chido off kuti
ambondotenderera mudhorobha kuti ivo vasare vega nevana. Lewis akangotarisa zvake
achifunga kumbochenamirwa kwaiitwa musikana uyu paaimbokumbira off nyangwe yemusi
weSvondo chaiyo.
Barbra akasara ega nevana vake, ndokugezesa Ticha ndokumugarisa pakona yake yamazuva
ese zvakanaka naka. Uyuwo Tanyaradzwa akawaridzirwa pasi akaunganidzirwa twekutambisa
twakasiyana siyana semwana ange ave kubata bata, kukambaira uye kupota achibatira zvinhu
achisimuka nekufamba akabatira.
Amai pavakaona kuti vana vagadzikana, vakatora zipoto ravo ndokukurungira usvusvu hwavo
hwekwaambuya Mangena. Pahwange hwave kukwata, akandochera gomba pamusuwo
sekurairwa kwaange aitwa ndokuwaridza midzi yake neminhenga yeshiri dzakasiyana siyana
yaange apiwa nadhokota chiremba wake.
Akandomira pachitofu ndokukurunga achitaura zvese zvaaida kuti usvusvu uhwu hurangarire
nekushanda kana hwave pasi pemavhu pamusuo pake.
Akasimudza poto iyo yange yorema chaizvo sezvo usvusvu hwange hwakora chaizvo, akabva
atsika Tanyaradzwa ange amubata makumbo akambaira akatevera amai.
Sezvo hana yairova uye achida kukurumidza kuedza basa iri akamiza miza mwana
nemakumbo, apa maoko mhasuro dzichisadharara nekusimudza poto yeusvusvu. Ange
akatarisa mupoto achishamisika nekuti usvusvu hwairamba huchikwata nyangwe hwange
hwabviswa pamoto.
Ave kuda kuenda kumusuo akanzwa Lewis achiti; “Igomba reiko mai Ticha? Zviiko zviri padoor
panapa izvi?”
Kana ndikati hana yaBarbra yakarova, ndinenge ndisina kunyatsotsanangura chaizvo chaizvo,
hana yamai Ticha yakaita kutsemuka ichisvetukira mukanwa maoko achipera simba.
Akaregedza poto iya usvusvu hwese ndokuti wodzvooo hwuchindozorora pamakumbo emwana
ange akagara pasi mukitchen umu. Mwana akati “weeee” kamwe chete ndokuti pfau pfau ndiye
zii.
Baba vange vakamira pamusiwo vakatarisa vachiri kushamisika negomba raive pamusuo,
nezvaivemo, uye poto yakadeuka vachiona usvusvu hwakasangana neandaweya yavo nhandi.
Kuvhunduka kwakaitawo Lewis kwakaita anonoke kubatsira mwana uyo ange achakanyarara
nekurwadziwa.
Barbra ange apera simba muviri wese agara pasi achidemba kuti dai pasi pavhurika zigomba
pamumedza, kuti agoregera kuzotarisanazve naLewis kana kubvunzwa kuti atsanangure
gomba raive pamusuo nezvaivemo, uye usvusvu hwakadeuka ndokumonera mwana
neandaweya dzevabereki yowee.
Lewis akasimudza Tanyaradzwa maoko ake achibvunda, akamhanya nemwana
ndokumuvhurira mvura inotonhora kubva mavaisukira ndiro mumba mekubikira umu.
“Akangonyarara uyu, asi afa?” Lewis akabata mwana neruoko rumwe chete ndokubudisa fone
yake ofonera ambulance, Barbra paakanzwa zvaitaurwa naLewis akabva afenda ndokunyarara
ari pasi mumba mavo mekubikira.
Lewis ange oshaya pekubata, akandorarisa mwana pasofa, ndokucheuka Ticha ange ave
kuzvidzipa mamwe macushion ake abva panzvimbo, murume akabata bata amai vevana asi
vange vachakafenda.
Akaenda kunze kweyard yake ndokunzwa kurira kwesirene yeAmbulance, akamhanya pakati
pemugwagwa akasimudza maoko kuti vakurumidze kumuona.
Varapi vemumotikari yeupenyu vakaita basa ravo ndokutora mhuri yese voenda kuAvenues
Clinic. Baba vakadzungaira misodzi ichiyerera vakamirira kuti vaudzwe nanachiremba kuti amai
nemwana mudiki vaive sei.
Mushure menguva yakarebera Lewis kunge gore rese chiremba vakauya ndokuti; “Your wife is
just unconscious, she is in severe shock, but vanoita zvakanaka.”
“How about my baby son? Tanyaradzwa wangu ari sei? Mupenyu here doctor?” Lewis akadaro
misodzi nemadzihwa zvati pororo kumeso sekandumure.
Chiremba vakabwaira bwaira ndokuti; “Mwana mupenyu zvake Mr Katsande but …….”
“But what again? Why but kana ari mupenyu?” Lewis akadaro achinzwa dikita richiyerera pakati
pemakumbo ake nekutya kwaive maari.
“Mupenyu asi he was badly burnt, saka tave kudimbura makumbo ake, ndiko kuti ararame…….”
Lewis akafamba achibuda ndokundogara panze achichema misodzi semwana mudiki.
Pakazosvikawo mumwe mukomana akanzwa tsitsi ndokumutakura nemota yake ondomusiya
kumba kwake kuMabelreign. Vasvika mukomana uya akati; “Nhai mukoma, ndofonera ani?
Handingakusiyei muri mega makaita so.”
Lewis akatambidza mukomana uya cellphone yake ndokuti; “Pastor Mrs Gambiza, ambuya
vaTicha naTete Mamoyo, those three. Thank you.”
Mukomana uya akatsvaga mazita aange audzwa ndokufonera vese, akambomira mira,
pakasvika amai Gambiza muSamariya wakanaka uya akabva asiya Lewis ave nehama yake iye
oenda kwaaienda vasati vasangana.
Mai Gambiza vakatarisa gomba riya rakange rakachenama mweya wavo ukaverenga 1,2,3,4,5
mademon nevazukuru vawo aidaidzira kubva umu.
Mumba mekubikira usvusvu huya hwange huchakavamirira vese hwakazoreka zvahwo pasi,
hwaisanyara vanhu aiwa, hwaitoda kuti vaida kuona vazoona zvavo.
Amai Gambiza vakatarisa mweya wavo ukaremerwa vachiverengazve 6,7,8,9 mweya yaibikwa
kubva kugehena yaive pahusvusvu uhwu. Vakabva vafonera mai Nyandoro kuti vabatsirane
kubvisa izvi.
Sezvo ange achiri masikati, vatete vaBarbra vakarongedza kabheke kavo ndokunanga Harare,
hana yairova kuti muzukuru wavo akange aitei zvakare. Vakawana Lewis akagara nevafundisi
vake echidzimai maviri aye.
Lewis akange akaungana sekatsi pasi chaipo kumeso kwakazvimba nekuchema neshungu
nehasha zvese. Vafundisi vakatandavadza zvavange vabudisa mugomba muya vakaisa
mubepa ndokuratidza vatete vemunhu nekuvatsanagurira zvishoma zvakange zvataurwa
naLewis kuti zvingave zvaitika.
Vatete vakanzwa sevawedzera kureba, vakanzwa sevakapfeka bhutsu size 10 yavo chaiyo iri 6
nekusvoda kwavakaita vachitsanangurirwa mabasa emwana wehanzvadzi yavo wavakarera
mumba mavo.
Manheru Lewis akaramba kuenda kuchipatara, madzimai vakaenda vega vakawana
Tanyaradzwa abva kuTheatre twumakumbo twasarako, vana chiremba vakange vabvisa
nemumabvi, ava amai vacho vakange vachakafa nhando vakarara hapana chavakakwanisa
kuona kana kutaura.
Kuchiedza mangwana vatete vakamuka ndokuona mabhokisi embatya dzemwana wehanzvadzi
yavo, nevana vaakazvara arongedzwa. Lewis akange asingade zvekutaura nemunhu,
akangovati; “Musi unobuda munhu wenyu muchipatara muende mese, haachapinda mumba
mangu. Cursed be the day I laid my eyes on that woman.” Vatete havana kupindura,
vakanyarara vachinzwisisa kurwadziwa kwemukwasha wavo.
Masikati aya vana Rumbie nevabereki vavo vakabva vasvikawo vachibva kuMasvingo kuti
vazoona amai vavo sekukumbira kwange kwaita vatete. Vatete Mamoyo ava vakaita kuti vanhu
vese vazivane. Pakave nekushamisika, nekutsamwa nemibvunzo yakawanda vachitaura zvese
zvavaiziva pamusoro pemukadzi ange avasanganisa uyu.
Vana Victor vaishamisika kuti Barbra ange asina kumbotaura nezvavo vese, uye iye Lewis
wacho kana kuona kuti mukadzi wake aisave musikana bodo?
Lewis achishayawo kuti sei mudzimai wake akavanza vana vake kudai, akafunga zvakaitika
musi wakawana Rumbidzai mubairo. Ndopaakati hoo nhai kubvira ari grade 1 maticha aingoti
1+1=2, achifunga kusagadzikana kwaBarbra musi wakawana Rumbi mubairo wake, mimwe
mibvunzo yaakange aita musi uyu yakabva yadairwa ipapo.
Pavakazoshanya manheru, ambuya Katsande vasvikawo, vakabva vaenda vese. Lewis
akakumbira kundopinda naRumbie naTadiwa vari vatatu chete.
Barbra akange akarara akafuratira musuo pfungwa dziri kure kure mumusoro make achifunga
kuti “dai dai dai” asi akatadza kudzorera nguva shure.
Akavhunduka achinzwa inzwi raLewis richiti; “Amai Rumbie, inga mayarutsa asikana, inga une
mwana akanaka, intelligent and brilliant. Inini ndini wowoshaisa mwana zvachose.” Barbra
akatarisana naLewis akamira nevana vake vaakange asiya kwaMadziva. Akashaya kana
chekutaura, Rumbidzai akaramba akamira kure, akatarisa amai vainzi vake ava vakarara apa.
Tadiwa ndiye akaswedera padyo ndokuti; “mamma ………, mai Rumbie.”
Barbra akazvifukidza nemagumbeze emuchipatara, misodzi yakatadza kudemba naye,
yakamurambira kubuda kuti zvaainzwa apa zviite nane. Vakazobuda vese asi Victor naRudo
vakazoramba kupindamo mushure mekutaura nevana zvakange zvaitika.
Vatete vakaenda vega kundoona mwana wehanzvadzi yavo, vamwe vese ndokuenda kwaive
naTanyaradzwa vondomuona. Ambuya Katsande miromo ndoyaingoonekwa kufamba vachituka
nekunyomba chese chaive nechekuita naBarbra, vaera Moyo vese vakatukwa, zita rese rekuti
Barbra rakatsverudzwa, kana mumwe mukadzi aizvifambirawo akapfeka dhirezi rakange
rakafanana neramai Ticha akanzi ngaaribvise asati asangana nazvo.
Vave kubuda, Lewis akaenda kwaive naBarbra navatete vake ndokundoti; “Pedzisawoka nyaya
yako yepaFacebook, wakati wakavanza vana vako, tell me, how did you initiate my divorce
nemukadzi wangu?”
Barbra akatadza kupindura, vatete vachiwedzerawo kuvhiringika nemhosva dzairamba
dzichiturikidzana pamwana wehanzvadzi yavo.
Vakazobuda vese voenda kumba mumwe nemumwe achingodzungudza musoro nezvakange
zvaitika. Vatete vakatadza kuramba voteverana nanaKatsande. Vakabva vakaenda kumuzukuru
wemurume wavo aigarawo muHarare makare.
Vaigoteverana nevamwe vekwaKatsande vachiti chii ivo vese vaida kuziva kuti ivo munhu
mukuru, achena bvudzi muviri wese sei akavanza nezvevana vekuMasvingo.
Pakabudiswa Barbra muchipatara, vekwaKatsande vakati ngaatore Ticha vaende kuBanket,
vaizosara vachichengeta Tanyaradzwa kusvika abudawo muchipatara vozoona zvekutaurirana
kana mwana abudawo muchipatara.
Barbra akatadza kana kudemba kana wekutaura naye akamushaya nekuti vese vakange
vamuudza nguva yekutaura zvaange oda kutaura izvi.
Lewis akasara zvake naamai vake nehanzvadzi dzake vachichengeta mwana wavo aive
kuchipatara. Asi akange asati apindurwa kuti Barbra aive nechekuita zvedi here pakurambana
kwake naIsabella.
Paakafonera Isabella, mukadzi akamuti zvakange zvisisinei naye, nguva yekutsanangura izvi
yakange yapfuura, akange ave amai Nyandoro. Kana nemataurirwo azvakaitwa akaona kuti
hushamwari naIsabella pakange pasisina zvachose.
Barbra akandogara kuBanket akanyarara kuti zii, aiita seasina muromo, aigara naTicha wake,
hapana waaida kutaura naye kana kuona. Kana kudya chaiko, vatete vakazoita wekumanikidza
vaona svondo ropera asina chaadya.
Nemumwe musi mushure mevhiki mbiri dzese, Barbra akazoti kuna tete vake; “Ndirikuda
kudaidza vana amai Mufundisi vandaigara navo kuHarare, pane zvandinoda kuvaudza.”
Vatete vakafara chaizvo kuona kuti ange oda kutaurawo nevamwe. Amai Nyandoro naamai
Gambiza vakabvuma kuzoona Barbra kuBanket kwavatete vake.
Pavakasvika, Barbra haana kutambisa nguva yavo. Akavapa nhoroondo yese yeupenyu hwake
kwete zvaaiita mazuva ese zvekudzamba dzamba achingovati, eh kana aiwa kuti zvipfuure.
Amai Gambiza vakaonazve zvakange zvaita murume wavo paaisanganisa hubhishopi
nezvimwe kunze. Ndipo pavakanzwisisa kuti sei airamba achishingirira kuti akumbire sangano
rese ruregerero. Aizviziva kuti pane vakawanda vaakange aparadzira upenyu nekuda
kwemabasa ake aaibata. Zvimwe aisatoziva kuti zvakazondodii, asi hunyengeri hwake
hwaikuchidzira kuparara kwevaive musangano rake.
Kudzikama nekusununguka kwakange kwakaita Barbra apa kwakavashamisa vese. Akavapa
tsamba yaaiti akange anyora zvese zvaakange avataurirawo apa akati vandopa Lewis nemhuri
yake.
“Wazvisunungura mwanangu. The truth has finally set you free.” Amai Nyandoro vakadaro asi
moyo wavo uchirwadza vachishaya kuti vogadzirisa izvi sei.
Barbra akangonyemwerera ndokuti; “Ndinoziva kuti Lewis naIsabella vange vane mibvunzo
yakawanda, ndavapa mhinduro dzese.”
“There is still hope, I can’t promise kuti muchadzokerana nemurume wako, asi I can promise
kuti you will be happy again in Christ…….”
Barbra akangodzungudza ndokuti; “Aiwa mamma, zvakanaka zvakadai, ndaneta ini,
ndakambomhanya, ndikambohwanda, ndikambonzvenga, ndikamborwisa chaizvo. Upenyu
hwangu hwese I was very busy, now ndaneta. Asi ndinotenda imimi mese muri vatatu,
kusanganisira navatete vangu, maindibatsira asi ndaive too busy kuti ndinzwisise zvamaitaura.
Iyezvino ndaneta.”
Vakazomusiya vaona kuti akange asati oda hake kutaura nezveramangwana rake, asi akange
azvisunungura nekuudza vanhu vese chokwadi.Vatete vakabudisa vafundisi avo vakabva
vadzokera kuHarare, ivo ndokuenda kuzvitoro kundotenga muriwo wavo wemanheru.
Ave manheru vakaona Barbra asina kana kuzogadzira chikafu chemwana wake.
Vakadongorera vakaona vese amai nemwana vakarara vakagukuchirana, mwana ari
pachipfuva chaamai vake. Vakavhara musuwo vachinzwira weropa ravo tsitsi,
vachizvidembawo kuti dai vakamubatsira kusandura icho nechocho.
Pazuva rakatevera, pakachaya 9 dzemangwanani, vatete vakazondotarisazve voti kana Barbra
asingade iye kudya, ngaape zvake mwana chikafu. Vatete vakagadzira porridge yaTicha
sezvavakange vaona amai vake vachiita, vakamugadzirirawo mvura yake yekugeza.
Vakawana amai nemwana vakangobatana sezvavakange vakaita usiku hwapfuura.
Pavakazobata bata wanike,kwaani, vese zvave zvitunha, tumapepa twaive nemushonga
wemakonzo twaive pasi pemubhedha pakange pakarara vaviri ava. Vatete vakabuda voridza
mhere.
Tichaona akandochengetwa kumusha kwake kwaMutoko, Barbra ndokusarawo kwake kuhama
dzake. Lewis nehama dzake vakatanga kuzoviga Barbra sezvo aive amai vevana vavo.
Ndokuzoenda kwaMutoko nemwana wavo pazuva raitevera. Vanhu veEuthenia Ministries
vakauyawo kuBanket kwaichengetwa Barbra , uye ambuya Nyandoro naPastor Nyandoro
vaivepowo, amai Nyandoro mudzimai waPastor David ndovakasara pabasa kuConference
Center.
Mushure mekuviga Barbra, vanhu vachiri kumakuva, Hazel akaonekwa achitaura naamai
Gambiza naPastor David achiita munamato wekugamuchira Jesu.
Zvaakange aona pane vese vaaifara navo, nezvakange zvaitika kwaari zvakange zvamurovesa
nehana. Akaona kuti upenyu hwaive pengaudzoke, kwekumhanyira nekwekutizira kwaive
kumwe chete.
Kana wawana mukana wacho kudzoka pachiri padyo kwange kwakanaka, nekuti vamwe
vakange vatadza kudzoka, vamwe vakange vashaya mukana. Vamwe ndovakange vaita
sasahwira wake, kubatikana zvekushaya nguva yekutsvaga Mwari, asi kana zviri zvekupinda
muguva hapana anoti handina nguva yacho …..

*****************************************END OF SERIES*******************************************

You might also like