You are on page 1of 1554

POOR SHUPIKAI

WRITTEN BY

SHELLY
#0621141536

Chapter 1

SHUPIKAI

Mudumbu mangu makatanga kumonya


muchirira-rira ngasingaperi , ndakanga
ndane mazuva maviri ndisingadyi
sadza ,ndayiita kurionera kuhope chaiko.

"Akuti gara ugadzike zvimatako zvako


ndiani?" Vakadaro mhamha vakabudisa
maziso matsvuku apa agara akakura
hawo ,ndakasimuka ndokuenda kunosuka
mandiro avakanga vadyira nevana vavo.

Baba vangu vakarora mumwe mukadzi


mushure mekunge amai vangu vafa ,vakafa
ndiri grade three ndatoti kurirewo
ndakutoziva zvishoma.

Mai vangu vakandirwadza nekundisiya


kwavakaita dai ndaivawo nemunin'ina kana
hanzvadzi ndaiwanawo wekuchema naye
zvino ndaingova ini chete.

Zvino mukadzi wakaroora baba vangu


akauya nevana vake vaviri vasikana vose
Monalisa na Melissa.Mona ndiye mukuru
akatondipfuurawo pamakore uyu Melissa
ndiye aiva mudiki kwandiri.

Vana ivava vane moyo wakafanana newa


mai vavo havana kana tsitsi
nemunhu ,kutambura kwese kwandinoita
baba havazvioni nekuda kwekuti havagari
pamba vanenge vari kubasa kwavo uko
kudhorobha guru kwandakaguma kuenda
mhamha vachiri vapenyu.
Kuti ndivaudze zvandinenge ndichiitwa
namhamha zvinondiremera
chaiko ,chandakanga ndisingadi
kurambanisa vanhu vanodanana havo.Asi
kuda baba vangu vaindida havo handidi
kunyepa vaitondiyemedza chaiko.

Pamba pedu hapana chaimboshaikwa


taitova vanhu vanowana vanotodyawo
zvavanoda asi nekuda kwamhamha ava
vaindipa chikafu pavanenge vachinzwa kuda.

Vana vavo ndivo vayiita zvose zvavanoda


kuita senge vana baba vanoshanda ivo vari
baba vangu ndainzwa kubatikana chaiko
pakati pemoyo wangu ,moyo wangu
waimboti ndiende kwagogo mai vababa asi
ndaiti ndikafunga mburira yavaiva nayo
ndaibva ndaona senge ndavapa mutoro
chaiwo ,gogo vangu vaiva nevazukuru
vakawandisa vevanakomana neve
vanasikana.
Mai vamhamha ndakanga ndisingachavazivi
chero ndikasangana navo handimbovazivi,
ndakaguma kuvaona ndiri mwana mudiki
dai ndaikuziva ndiko kwandaitoenda hangu
kunogara pane kuti ndishungurudzwe
namai ava vanoita sekuti vanoroya.

Ndakanga ndatojaira nhamo ini kutozvitora


nyore asi mumoyo ndichirwadziwa kuti
nditarisewo ganda rangu ndinoona sere
munhu asingadyi sadza , ndiri mutema asi
kwete zvakanyanya asi nekuda kwenhamo
yandinotamba iyi hutema hwacho hwobva
hwawedzera , mafuta ekuti ndizorewo
ganda rangu ndinotoita zvekunombora
mugaba vanhu vasipo ndoisa pashizha
ndonoviga.

Zita rekuti Shupikai ndakaridumidzwa naivo


mhamha pavakarorwa nababa vangu ,
rangu chairo ndi Deliverance ndiro
randinoziva kunyangwe baba vangu ndiro
ravanondidana naro ,vanhu vese
kusanganisira neve muraini vanongonditi
Shupikai, rakanga ratopfumba chaiko
handina kumboita basa nazvo asi
chaindinetsa ndaitadza kuziva kuti sei
mhamha vakandidumidza zita iroro kuita
sevakanga vasingazivi zita rangu ,kana baba
varipo zviya vaindidana nerangu
chairo ,zvaitondinetsa ini kuti sei mhamha
vachidaro.

Ndakapedza kusuka mandiro ndikanzi


ndiende kuhuni ndikatora masungo nehata
zvikanzi , "ndinoda kukuona pano manje
manje" vakadaro mhamha hameno vana
Mona vakanga vaindepi.

"Ehoi mhamha" ndakadaro ndakutobuda


chivanze kuenda kunotsvaga huni , apa
sango racho raityisa asi ndaitozvishingisa
nekuti chekuita ndipo panenge pasina.
Ndakaona muti wakanga wakaoma
ndikateza iwowo ndikatokwanisa svinga
rangu ndikasunga.ndakatakura huni dzangu
ndikadzokera kumba ndikawana mhamha
vachitapura huku. Ndakajata dzido rangu
zvikanzi

"Next time uteze dzakadarika apa kukora"


handina kudaira ndakaramba ndakanyarara
kuita sendisinganzwi hangu.

"Mai vangu vari kuuya pano handidi


kukuona mumba unogara panze kusvika
vanhu vapedza kudya ,uri kundinzwa here?"
Vakadaro mhamha vachimisa miromo yavo.

"Ndazvinzwa" ndakadaro zvikanz

"Good nekuti zvauri zvacho


ungatondinyadzisa vanhu vakazotadza
kudya chikafu chavo vakusemeswa newe"
ndakada kuti ndipindure asi ndakabata
wangu muromo ndikanyarara , misodzi
yangu yakamboda kubuda asi ndakaidzosa
ndakanga ndisingafani kujaira zvisina basa
zvekungochema pese pese.

Mhamha vakanga vasina mukanwa ende


vanotaura zvavanonzwa kuda , ndaisabika
chikafu chinodyiwa nevanhu ini ndainzi
madhembe ako anozara muchikafu chedu.

Zuva rakavira ndikagara panze ,pamwe vana


Mona vakanga vaenda kunotora gogo vavo
hameno kwaingovawo kufunga kwangu
nekuti muswere wezuva wese ndakanga
ndisina kumbovaona.

Ndakanzwa ruzha mumba vanhu vachiridza


zvikwee ndikaziva kuti vauya ini ndaingova
panze ndichirohwa nemhepo chando
chichipinda munyama dzangu.ndakanzwa
mumba makunhuhwirira ndikaziva kuti
vakupakura chikafu ndikarohwa nemoyo
wekudawo kudya semunhu akanga ane
mazuva maviri asina kudya.

Ndakamboshingirira kugara panze


ndikazorovera moyo padombo ndikapinda
mumba imomo mandakanga ndisingadiwi ,
ndakananga pamugomo wemvura kuita
sendine nyota izvo kupi ndaida kuwana
mapindiro chete.

Ziso randakapiwa namhamha raitaura


zvakawanda , "mhoro kani shupi muzukuru"
vakadaro gogo vana Mona ndikaenda
kunovamhoresa.

"Makadii gogo" ndakadaro ndikatarisa


mhamha ndikaona vakafutisa matama avo
zvikanzi , "ndinofara wanga uripiko?"
Vakadaro gogo, mhamha vakadaira ,
"ndanga ndamutuma kwamai Sarah"
vakadaro ko zvinotaurika here kuti ndanga
ndamuti agare panze , vanhu vakaenderera
mberi nekudya ini ndakangogara , "Mai
Mona ipa mwana chikafu adyewo
chichapisa" vakadaro gogo vaiva nemoyo
wakanaka asi mwana wavo hameno aiva
nemoyo wakaoma chaiko.

"Kutovarairwa mhamha" vakadaro


vachisekenyeka nhando ,vakandipakurira
vakandipa chikafu chacho ,sadza racho
rakanga rakawandawo zvishoma panyama
apa ndakangopiwa musoro nemakumbo.

Ndakadya ndikanzwa kuti zvava nane


ndakabva ndazadzisa ne cup yemvura
ndikaguta , vanhu vakapedza kudya
vakaenda kuimba huru ndikanotora machira
angu ndikawaridza mu kitchen ndimo
mandairara ,vana Mona vaiti hativati
netsvina dzakaita sewe kuita sevakabva
neimba kumba kwavo,vana ivava vanodada
nepamba pasiri pavo.
Ndakawaridza rupasa ndikaisa
machira ,aisatombodziya machira acho
ndakatobasa moto kuti ndidzirwe , "iwe
mbwa iwe chirudzii chawandiitira nhasi
hee" vakadaro mhamha vakabata
muchiuno , handina kudavira ndakaramba
ndakanyarara , "kuda kundinyadzisa iwewe
manje uchandiona zvako" vakadaro
vachirovera door vachienda kunorara.

Ndakasara ndichiridza tsamwa ndichinatsa


kuvhara door zvakanaka , munhu wepi
nhaimi anoita sekuti
akambomwira.Kunyarara kwandinoita
vandinoona senge dzangu dzisina kukwana
manje.

Dai vaimboziva hasha dzandinonzwa so


vaisadaro havo , kunyanya vana Mona
vanoda kundiita kamwana kavo izuva rimwe
chete randinorova one vavo akazviitira
manyoka ,handitozivi kuti neyi ndichiti
ndikarova munhu anoita mazuva akawanda
akazvimba.

Ndizvo zvimwe zvinoita kuti ndidzore hasha


dzangu nekuti maoko angu akatoshata
chaiko , ndakapinda mumachira simba
rekunamata ndaisava naro ini ,ndakarara
kusvika kwaedza ndikamuka kuita basa
vanhu vakarara.

Vanhu vakazomuka kwakutodziya , "shupi


muzukuru igumbo remunhu anodya sadza
here iri" vakadaro gogo ndikashaiwa
zvekuvapindura kuti ndivaudze kuti
handipiwi sipo hazvina kundiitira.

"Mai Mona iwe" vakadaro vachidana


mhamha vachibva vauya zvikanzi , "sei
gumbo remwana rakadai nhai Mai Mona"
vakadaro gogo ndikapiwa ziso dzvuku
ndikatarisa divi zvikanzi
"Mhamha mwana iyeyu anenge akaroiwa
neakafa hatodi kugeza kwacho , pane
chinoshaikwa pano here ,sipo dzizere
mumba umo" ndakavatarisa vachitaura
zvekumama kudaro ava Mai ava vaida
kundidzidzisa kuita hunhu hwakaipa.

"Usadaro mwanangu pamwe hagoni kutora


sipo yacho asina kupiwa , enda unotora sipo
shupi uyende kunogeza ndinoda kuona
wachena"

Ndakaenda kunotora sipo imo mumba


imomo mandakanga ndisingabvumirwi
kungopinda pinda hameno neyi
vaindirambidza kuita semunogara
chikwambo , ndakatora ndikabuda
ndikatora chi bucket chemvura ndikaenda
kubathroom , handina kumbozvitsvaga
zvekutsamwa kwavo uko .
Ndakageza mhokodorwa dzetsvina dzichiita
kubuda ,ndikapedza ndikanzwa
kupindwawo nemhepo, chikafu chakabikwa
ndikadyawo neche mumoyo mangu
ndaitenda ivo gogo vakamboshanya ava dai
vasivo ndaichipiwa here chikafu chacho.

Kumazuva rodoka gogo vana Mona


vakaoneka vachibva vadzokera havo ,
ndakademba kuti vadzokerei havo ndaitoda
vapedze vhiki yese vari pamba pedu

Kwaaaaa" ndakazongonzwa kurira


kwembama padama rangu ndini muvhu
njanjandara ndoku......

*End of chapter*
*Love you all guys *
[27/08, 17:48] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/KchaZ5vpTV9G
5bkE7tyGVf

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*
*SHELLY*

#062141536

*Chapter 2*

*SHUPIKAI*
Handina kuona kuti ndakanga ndamuka
nguvai pandakanga ndarohwa mbama
ndichibva ndanomira kwakadaro uko
ndokubata dama rangu ndikanzwa richipisa
chaizvo.

Ndakavhunduka ndichiona mhamha


vakabata zishamhu , ndakarohwa nehana
ini shamhu iyoyo handifungi kuti yaiva
yekurovesa munhu asi kuti yaitova
yekuponda munhu chaiko.

"Kasira kudzoka pano uri kachireshe


kemwana , ungada kundivengesa namai
vangu iwewe kuti wakoshei" vakadaro
mhamha misodzi ikatanga kubuda kuri
kutya kurohwa , ndakambotora nguva
ndakangomira pa nzvimbo imwe chete
ndikazoitirwa hasha ndikatanga kufamba
zvishoma.
Mhamha handifungi kuti vaiva nemoyo
wekubara ini , vaisatombondiona semwana
asi kuti vaitondiona semhuka , mhosva
yangu chaiyo yaindaiva ndakavatadzira
ndaisaziva ini. "Iwe mwana wehure fambisa
apa shamhu dzako dziri kuwedzera
wakapusa maningi" ndakafambisa
ndokunomira padhuze navo , ndakanzi
shamhu 1 ndokuti rabada pasi ndichiridza
mhere.

"Mhamha kani sorry handichazviiti...."


Ndakarohwa futi imwe ndikaumburuka
ndiripo pasi vachibva vazondisiya ,
ndakarwadziwa ini. Vana Melissa vakatanga
kundiseka kuita sezvinonzi kurohwa kwe
munhu kunonakidza.

"Ungada kudya nevanhu vasvinu kuti uri


munhu musvinu here iwe" akadaro Mona
ndikanyarara hangu misodzi chete ndiyo
yaingobuda , kugeza kuya kwandanga
ndaita kwakanga kusingachaoneki.

Ndakademba mai vangu vakafa kuti dai


varipo havo pasina zvose izvi , ndikafunga
rudo rwandaipiwa namai vangu ndinonzwa
kurwadziwa zvakanyanya , vana vevamwe
baba ndivo vakuita zvavanoda pamba
pababa vangu zvinondidya pfungwa dzangu
ndikati dhu-u kuzvifunga ndakagara zviya.

Baba hapana chavanokwanisa kuita kuti


vana ivava vadzokere kuna baba vavo
nekuda kwekuti vanoda mukadzi wavo cz
vakamuda aine vana vake. Ndakasimuka
pandakanga ndazvambaradzwa ndikaenda
kuseri kwe kitchen kwaiva neguva ra
mhamha vangu rakanga rakati taraukire
haro padhuze nemba.

Ndakasvika paguva ravo ndokupfugama


misodzi iri pamatama ndikati " *mhamha
ndizvo zvamakandiisira kuti misodzi yangu
igare iri pamatama here , hamuoniwo
kutambudzika kwangu here mhamha ,
ndirwirireiwo mhamha nekwamuri
ikoko.....*"

Ndaida kutaura zvizhinji asi handina


kuzopedza kutaura zvose zvandaida nekuda
kwechigodo chakanga chagara pahuro
pangu apa, ndakatsikitsikira huso hwangu
misodzi yangu ikatanga kudonhera paguva
ramhamha vangu , mafiro akaita mhamha
hapana akamanzwisisa , vakangomuka
vangova chando vasingamborwari ndiko
kundisiya kwavakaita.

"Tibvirepo unoti vachamuka here vatova


magodo chete , enda kwauri kudanwa uko"
ndakasimudza musoro wangu ndikaona ari
Melissa aitowedzera bundu pamoyo wangu ,
neche mumoyo mangu ndakademba kuti
agoni zvavo vana mai vavo.
Ndakaramba ndakatarisa Melissa uyo
aitikinya hake foni yake shungu
dzandainzwa ipapa dzakanga dzisina kumira
zvakanaka , ndakasimuka ndichibva
ndaenda kumba kwandainzi ndiri kudanwa.

Ndakapukuta misodzi yangu ndokupinda


mumba ndikaona mhamha vachigadzira
tunonaka-naka , ndaitozviziva kuti hapana
changu ipapo , "matii mhamha" ndakadaro
ndichikwiridzira madzihwa angu semunhu
akanga ambochema.

"Saka uri kuda kuwisira mabesa ako


muchikafu changu here? Unoda kuti vana
vangu vadye mabesa ako here?" Vakadaro
mhamha vakabudisa ziso jena rakachena
kuti mbu-u. "Ayewa mhamha" ndakadaro
ndichidzungudza musoro
wangu ,kamutarisiro kavakanga vakandiita
ndakanga ndisisina kutogarisika zvachose.
"Turunura mandiro ese ayo ari muzvikuva
usuke izvozvi ndinoda kuona achena"
vakadaro mhamha apa ndakanga ndisina
mazuva akawanda ndamasuka , "mhamha
ndakamasuka wani last we..." Andina
kupedza kutaura ndakanga ndatogurwa
kare , "unoda kunditonga here? Musoro
wako unodziya fani".

Handina kuzomirira kunzwa zvakawanda


ndakatanga kuturunura mandiro acho
ndichimaturikidza ndichiisa pasi.
Ndakapedza ndikatakura ndichiisa panze ,
hazvina kunditorera nguva ndakanga
ndapedza ndikachera mvura ndikatanga
kusuka.

Vana Mona vaingoridza zvikwee vakagara


ku dining havo , ende vari vose vanenge
vachionererwa zvisingaiti , Mona
anosimboenda kubasa asi anoti akaenda
hapedzi mwedzi ariko hameno
zvinombofamba sei. Ndakapedza kusuka
mandiro ndikarongedza mumba
sezvaakanga akaita.

"Nhasi ukati hauendi kuhuni kah wakagarika


handi" vakadaro mhamha pandakanga
ndagarawo pasi kuti ndizorore sezvo
ndakanga ndaneta , handina chandakataura
ndakaramba ndakanyarara , "mangwana
ndiri kuda masvinga maviri kwawo pano ,
tiri kunzwanana here?" Vakadaro mhamha
ndikati , "ndazvinzwa mhamha" vakabva
vabhidhaira vakananga kuimba huru ,
ndakasara ndichidzungudza musoro wangu
nekuita kwamhamha , chimwe
chinondishamisa ndeche kuti ini ndega ndini
ndinonzi ita basa vana vavo hapana
chavanobata asi kana wati mukugeza ndiko
kwavo.
Ndakanga ndisisina hangu basa
nezvakawanda , ndaida kuzoona
kwazvinosvika , kana ndakabarirwa nhamo
abvai ndaizofa nayo hangu nhamo yacho.
Moyo wangu wakanga wakufunga baba
vangu kuti dai vaigara havo pamba
kutambudzika kwangu kwaimboita nane ,
baba vangu vaiti kana vobva kubasa kwavo
vaindinanganidza chaizvo vobva
vandibvunza kuti , "mwanangu ko kudzikira
kudai hausi kudya here inga chikafu chizere
wani pano nezvaunofarira ndinotenga
wani".

Ndaizongovavhara kuti kukura baba sakei


ndichidzikira izvo kupi ndinenge
ndichitamba nhamo yakatsvuka kuti piriviri.
Ndakanga ndatovasuwa baba vangu
ndikafunga nekundiyemedza kwavanenge
vachindiita ndobva ndanyanya kuvasuwa
chaiko.
Zuva rakavira mhamha vakatamba
nemapoto avo , mumba macho handina
kumbobvira ndapindamo ndakanga
ndakagara hangu panze , ndiripo panze
ipapo ndakanzwa mumba muchiitwa
kuzevezerwa ndichibva ndanyahwaira
kuenda pakahwindo ke kitchen
ndikadongorera ndikanzwa zvichinzi

"Zvinhu zvose zviri pano zvichasara zvava


zvedu" ndakarohwa nehana ndichinzwa
mhamha vachidaro ,kuita zvavo chirudzii
futi uye baba vangu vanenge vaindepi kana
zvichinzi zvichasara zvava
zvedu.ndakazvibvunza ndega asi mhinduro
handina kuiwana.

Ndakanzwa futi Mona achiti , "ko shupi


nababa vacho vanenge vaindepi mhamha"
akadaro Mona achiita kusekerera ndichiona
hangu zvese ndiripo pahwindo ipapo ,
"havandinetsi ava ndine size yavo
yakakwana , izvozvi baba vacho
ndakavanyepera kuti ndine mimba zvi.....".

Ndakadonha pahwindo paya nekuda


kwekurohwa nehana nezvandainzwa
zvaitaurwa mumba umu , ndasimuka fast
ndikatiza kuenda seri kweimba hombe ,
ndakagara ikoko ndichifunga kuti chingava
chii chandiri kurongerwa nababa vangu ,
zvakandityisa ini ko mhamha sei vaine moyo
wakaipa kudaro.

Mupfungwa dzangu makauya pfungwa


yekuti mhamha ava vanenge vaisada
kurorwa zvechokwadi asi kuti vanenge
vaida zvinhu zvababa vangu , kana zviri
zvipfuyo baba vangu vaiva nezvakawandisa
zvaisagara hazvo pamba pane murume
aizvichengeta.

Ndakabwaidzika ndiri panze ipapo ipo


parima kwakanga kusina mwedzi muchena ,
ndakatadza kuziva kuti baba vangu
ndovaudza here kana kuti ndorega apa foni
yacho ndakanga ndisina,baba vaida
kunditengera foni asi ndakaramba cz
ndaitya kuti yaigona kuzotorwa nana Mona
ndoti baba vangu vafirei havo.

Ndakasiya kufunga zvakawanda ,


ndakanzwa vanhu vamuimba huru
ndikaenda kunotora machira angu
ndikanowaridza kukitchen , ndakanamata
zvimanzwi zvishoma shoma ndichibva
ndarara.

Ndakamuka makuseni ndokutsvaira


chivanze vanhu vasati vamuka ,nekukura
kwechivanze ndakaita nguva ndichitsvaira
ndikazopedza zuva rakubuda.

Ndakabudisa mandiro kuti ndisuke


ndikaona mhamha vamuka hameno
vakanga vakasira kumuka neyi cz
vanosimuka kwadziya.

"Korobha mumba umo ndinoda kubika


makachena ndoda kubuda ita zvekukasira"
vakadaro mhamha ndikamhanya kunotora
chi bucket chekukorobhesa.

Handina kutora nguva ndakanga


ndatopedza ndichibva ndaita zvekusuka
hangu , mhamha vakabika vakapedza
vachibva vatobuda hameno kwaiendwa kuti
ndepi.

Ndakapedza zvandaiita ndikapinda mu


kitchen ndikavhura vhura mapoto akanga
abikirwa ndikaona mune porridge
ndikaridya rese , ndakanga ndane nzara ini
sezvo ndakanga ndarara ndisina kudya.

Vana Mona vakazoswera kumuka kadumbu


kangu katoti tatana kuguta , ndakatora
masungo hangu ndokunanga kuhuni ,
ndakapinda musango racho ndichifunga
zvakawanda pamusoro pezvandakanga
ndanzwa madeko.

Ndakashamisika ndichiona ndatobudira


kuroad yemota pfungwa dzangu dzaiva kure
chaizvo , ndakasimudza musoro wangu
sezvo ndaifamba ndakatarisa pasi ndakaona
mota yakanga yakamira padivi pe road
ndikaramba ndakaramira ndakaitarisa.

Ndakaona mumota muya muchibuda


mukadzi nemurume , vakatanga kubatana
vari panze ndikanzwa kunyara chaizvo
ndakabva ndatovanda pagwenzi raivapo.

Chakandinetsa mukadzi uyu aiva akapfeka


hembe dzakafanana nedzakanga dzapfeka
mhamha time yavakabuda.
Ndakaramba ndakatarisa ndichida kuona
mukadzi uyu kuti ndian chaizvo , ndakanga
ndisina kuona chiso chake sezvo akanga
akandifuratira , mukadzi uya akatanga
kuringa ringa mativi ose ndikarohwa nehana
ndichiona vari mhamha.

Veduwe ndakanzwa kurwadziwa ndichiona


mhamha vaine mumwe murume , Ende
vaitoratidza kuti vanonzwanana nemurume
iyeyu , ndakanzwa kurwadzirirwa baba
vangu kuti izvozvi vanenge vachitoti ndine
mukadzi ari kumba iye achiswera achiita
zvevamwe varume.

Mugoona kana baba varipo vanoita senge


munhu kwaye , ndakanzwa kuvenga
mhamha zvisingaiti nekuda kwehunhu
hwavo , ndaida kutovanyadzisa ini
vasazozviita futi , shuwa munhu kutomuka
kuchena chena kuda kunoonana nemumwe
murume , ndakabva ndati
"Mhamha!" Ndakadaro ini ndaitoda
kuvaratidza kuti ndavaona , vakacheuka
vachivhunduka chaizvo ndakanga
ndatomira pachena kuti vanatse kundiona.

"Uhm ah uhm ba.. bamukuru ndozokuonai"


mhamha vakaita kukakama kutadza
kubudisa mashoko zvakanaka , murume uya
akabva amutsa mota yake achibva ayenda.

Chakandinetsa mhamha kuzoti bamukuru


apa kwakandishamisa saka bamukuru
vanotambwa navo here vanhu vachikisana
nekubatana.

Mhamha vakafamba vachiuya kwandiri


vakabata chibepa che black hameno maiva
neyi , zvikanzi.........
*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:48] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Kiyu3VI1xwp2A
RMEa54pIK

*POOR SHUPIKAI*
*WRITTEN BY*

*SHELLY*

# 0621141536

*Chapter 4*
*SHUPIKAI*

Hana yangu yakarova zvakasimba ndichiona


imbwa ichibuda furo mukanwa ,
ndakatarisisa imbwa iyi ndikaona padivi
payo paine sadza rakanga risati rapera
kudyiwa. Ndakabhoikana zvese
nekushamisika ndichiona imbwa ichibuda
furo , chakanga chaita kuti idaro ndakatadza
kuziva kuti chii.

Ndakamboti zvimwe iri kurwara hayo asi


pfungwa dzangu dzakazviramba chaiko.

"Shupi!!"

Vakadaro mhamha vachindidana


ndikamhanya kuenda mumba , nguva
yandakapinda mumba mhamha
vakanditarisa sevasingandizivi ndikabva
ndatarisa vana Mona ndikaona vakaita
zvimwe chete.

Ndakavhiringika ndichitadza kuziva zviri


kuitika , ndakamira zvenguva yakareba
ndakaramirira kuudzwa zvandakanga
ndadanirwa asi mhamha vacho havana
chavakataura kunze kwekungo stika
vakanditarisa.

"Mati mhamha"?

Ndakadaro vachibva vavhunduka


ndokudonhedza sadza raiva mundiro mavo ,
Mai ava ndakanga ndakushaiwa kuti
vakupenga here nekuti kuvhunduka kwavo
andina kukunzwisisa.

"Uhm ....uhm wa..dya.. here sadza"


Vakadaro vachiita sevasingagoni kutaura ,
ndakatarisa vana Mona ndikaona vaita
kutsveta sadza pasi ravakanga vachidya.

"Ndaona sadza rangu radyiwa nembwa


mhamha"

Ndakadaro vachibva vasimuka zvehasha


ndokundibata huro yangu vachida
kundidzipa , mhosva yangu handina kuiziva
ini , kudyiwa kwakaita sadza rangu
kwaisatova kuda kwangu.

Ndakabatwa nzeve dzangu vachibva


vandisimudza mudenga nenzeve vachibva
vandidonhedza pasi ndikanorovera
nemagadziko ndikanzwa kunga bhonzo
rangu raminyuka.

"Chikafu changu chandabika nemoyo wese


ndicho chaungadyisa nembwa uri benzi
remunhu ,mai vakafa vachiroya nxa kamani
buda muno uri kiti yemunhu".

Ndakabuda mumba ndichimhanya chaizvo


zvekuti ndakanga ndarwadziwa izvo andina
kuzviterera. Mashoko amhamha akauya
kugara pahuro pangu kuita senge pane
zidombo riripo ,mate chaiwo aisatomedzeka.

Ndakanga ndisina kuziva kuti chashata chii ,


mhamha hameno kuti munhu rudzii
anongochinja paadira ungamboti ndivo vaya
vakanga vamboti Shupi mwanangu.

Ndairwadziwa nekutukurirwa mhamha


vangu vakafa , ndakachema zvekusvika
pakunzwa mweya wangu uchipera chaiko ,
hungaita hupenyu here hwekugara
ndichingochema.

Ndakagara panze kusvika vanhu vaenda


kunorara ndichibva ndatora machira angu
ndikaenda kunowaridza mu kitchen , moyo
wangu waida kuona kuti imbwa iya yazodii
asi ndakazotadziswa nerima raiva kunze,
ndaizogona kuivona mangwana kwachena.

Ndakavesa moto ndichida kudzirwa hangu ,


ndakada kunamata asi ndakashaiwa
pekutangira ndokuzongoti "Mwari
ndichengetei" ndichibva ndatorara.

Hope handina kana kumbodzinzwa ,


ndakamuka ndokugara pasi ndichifunga
kamuitiro kakanga kaita mhamha ndakanga
ndisina kukaona zvakanaka.

Ndakafunga kuti zvimwe pane zvavakanga


vaita pachikafu changu kwaingova kufungira
asi ruzivo rwakakwana ndakanga ndisina.
Asi zvee kuita hasha kwavo
nekakuvhunduka ndizvo zvakandiratidza
zvakawanda.
Ndakazorara ndikabatwa nehope
machongwe akutorira. Ndakarara
ndikamuka ndichiona mumba machena
zuva richitoratidza kuti rabuda. Ndakanga
ndanonoka kumuka nekuda kwekunonoka
kurara kwandanga ndaita , ndakawarura
zvimachira zvangu ndikanoisa panze
ndokutora matsvairo ndikatanga kutsvaira
chivanze.

Ndakanga ndotya kutukwa kana kurohwa


nekuti zvamhamha zvinokwidza chero
nguva ,ndakati ndakutsvaira kuseri kwe
kitchen ndokuona imbwa iya yakaoma kuti
papatata kuratidza kuti yakafa , ndakamira
kutsvaira ndakatarisa imbwa iyi ndichitadza
kuziva chakaita kuti ife chii.

"Kuti mhamha ndiyo size yakakwana


yavaireva here iyi"
Ndakati dhu-u kufunga mashoko amhamha
aya andakanzwa vachitaura zuva riye
ndikafunga kuti mhamha vanenge vakanga
vaisa mushonga muchikafu changu.
Ndakasiya kufunga zvakawanda ndikatora
imbwa iya ndikanoirasa kure.

Ndakadzoka ndikatanga kutsvaira kuseri


kweimba hombe ndikanzwa muroom ma
mhamha muchirohwa zvikwee. Ndakabva
ndati kwati nemadziro nzeve dzangu
ndokudziti kwangwa kudzimisa mudenga.
Ndaida kunzwa nyaya dzavanotaura nevana
vavo ndakanzwa kuti

"Plan yedu yakaramba kushanda zvino


todii?"

Handina kunzwa kuti raiva izwi raani


raitaura izvi , plan yaitaurwa ndakatadza
kuiziva zvikanzi
"Ticharonga imwe iyoyo handifungi kuti
kanopona , tinotoda kusara nezvinhu isu ,
tikatengesa zijongosi riya zidzvuku mota
tinoitenga pano"

Vakabva vati pwatii kuseka , nguva iyoyo


ndakabva ndanzwa kubitirirwa chaiko
pamwe nekuzarirwa kutotadza kufema
zvakanaka.

Vanhu ava ndaitadza kuziva kuti ndovaita


sei chaizvo , ndakangonzwa kuda kutaura
zvivindi zvacho handitozivi kuti zvaibvepi.

Ndakatsveta matsvairo angu ndikapinda


mumba mavaiva macho imomo ndikati

"Manga mataura nababa here?"

Ndakadaro ndikaona vachitarisana vachiita


kuvhurisa maziso zvikanzi na mhamha.
"Kuti chii? uye akuti pinda muno ndian?
wapiwa mvumo here?"

Ndakatarisa pasi ndikatanga kutambisa


zvikunwe zvangu , mvumo yei yavaitaura
ipapa kuda kundityisidzira nhema.

"Mhamha mondiregererawo ipapo


nekupinda muno ndisina kunzi pinda ,
ndaingoda kuziva kuti manga mataura
nababa here panyaya yejongosi ramuri kuda
kutengesa."

Ndakadaro vachibva vafinyama kumeso


kwavo , ndaitonzwa kurwadziwa kuti
zvipfuyo zvababa vangu zvoperawo here
vasingazivi.

Mhamha vakasimuka pavakanga vakagara


ndokuenda pa wadrope hameno vaida
kutorei , pfungwa dzangu dzaitofunga
zvakawanda ndakanzwa kurohwa kumusana
kwangu ndikaikwetsura mhere yakatinhira
nemadziro.

Ndakarohwa zvandisati ndakamboitwa ,


ndakatanga ndichachema ndizamara ndati
zii kunyarara ndakanga ndongonzika
kugomera chete, ndanzwa nyama dzangu
ndichiita kutsemuka nekurohwa.

"Ndinokuuraya iwe , kwako kuda kuzivisisa


here manje ndizvo zvauchafira izvozvo".

Vakadaro mhamha vakaenderera mberi


nekundirova vakandisiya nyama dzangu
dzaita kuibva , ndakabatirwana na Mona na
Melissa vachibva vandikanda panze.

Ndakadonha pasi nemuromo ndokutora


nguva ndakarara pasi ipapo , ndakanga
ndakunhuhwa rufu ini kunzwa kuti
handichasi munhu pano.
Ndakatanga kugwesha nemagaro asi
ndaitonzwa kurwadziwa zvakanyanya ,
ndakaedza kusimuka ndichibva ndadonha
pasi , ndakasimuka futi ndikatanga
kudzedzereka semunhu akadhakwa.

Ndakabuda chiwanze ndikatanga kufamba


ndichienda musango ndakanga ndafunga
kutozvipedzisa ini vasare vachiita zvavanoda
nezvinhu zvababa vangu.

Ndaiti ndikapingwa nekamuti kadiki diki


ndaibva ndatodonha , simba racho raiva
shoma. Ndakagara pasi ndikatanga
kuchema , " *mhamha kani ndakuuya
kwamuri ikoko zvepasi pano ndazvitadza*".

Ndakadaro ndokusimuka ndikatanga


kusvuura makavi angu ndichimasunganidza.

Makavi angu akakura zvandakanga ndichida


ndikatanga kufamba ndichienda kudhuze
neroad , ndaida kuti vanhu vazokasike
kundiona vazondiviga ndisati ndaora
nekudyiwa nemagora.

Ndakasungira tambo yangu muhuro


ndikakwira mumuti ndichishingirira sezvo
nyama dzangu dzairwadza chaizvo ,
ndakaenda padavi rakanga rakakora
ndikasungira gavi rangu ipapo.

Ndakabva ndarezuka negavi muhuro


ndichibva ndatanga kutauta muhuro mangu
muchiita semunochekwa nebanga
zvichirwadza zvisingaiti.

Ziso rangu rakanga rachiti dhe-e kubuda


chaiko , ndakanzwa gavi kuti ka-ka-ka
kuratidza kuti rakudambuka ndichibva ndati
pasi dhii-i kudonha ndini zii ndakadaro.

Ndakatanga kuona mhamha vangu


vakamira kumhiri kwerwizi ini ndaivawo
kumhiri kwacho ndichida kuyambuka rwizi
urwu kuti ndiende kuna mhamha vangu.

Asi mhamha vakabva vasimudza ruoko


rwavo vachiti ndisayambuke , mhamha
vakatanga kuchema vachibudisa misodzi
yeropa vakabva vafuratira kwakutanga
kufamba vakandipira gotsi ravo.

Ndakada kuvashevedzera asi havana


kundinzwa.ndakati pepu kuita sendaiva
muhope ,ndakada kusvinura maziso angu
asi aisatovhurika , nguva iyoyo ndakanzwa
kuti.....

"Mwari makanaka"

Handina kukwanisa kusvinura kuti ndione


munhu akanga achitaura , ndakanzwa
muviri wangu uchirwadza zvakanyanya ,
ruoko rwangu rwakabva rwabata nguva
iyoyo ndaiva neshungu dzekuda munhu
iyeye.

Maziso angu akabva asvinura zvishoma but


handina kunatsa kuona zvakanaka ,ndakada
kumuka asi ndakatadza nekurwadziwa.

Ndakavhurisa maziso angu ndikaona


mumwe murume hameno aiva mukomana
here ndakada kumufananidza asi handina
kumuziva aitoratidza kuti haasi wekumusha.

"Heyi girl"

Akadaro ndikaramba ndakamutarisa


ndakanga ndototya ini , ndaida kutotiza
vanhu vakadai ndivo vanochekeresa vanhu.
Ndakasimuka zvishoma nezvishoma
pandakanga ndoda kumhanya ndakabva
ndanzi dzvii ruoko rwangu.

"Are you okay?"


Ndakaramba ndakanyarara ndakazama
kumhiza ruoko rwangu asi rwakanga
rwakabatwa nesimba chaizvo.

Izvo zvaibuda here kuti vanhu vandione


ndakabatwa nemunhu iyeyu nezvandaiva
zvacho ,ndakatarisa muviri wangu ndikaona
ndakazara ropa ndakaita kuzvimba chaiko.

Chero imbwa yaonekwa ichipinda mumba


haingamborohwi semarohwerwo
andakanga ndaitwa , ndakapondwa senyoka
ini.

"I'm Reality , ko wanga wafungei musikana ,


ko muviri wako kudai chii?

Akadaro achinatsa kundiongorora achibva


abvisa gavi raiva muhuro mangu , aipedza
nguva yake kunditaudza ndaisada
zvekutaura ini ko iye akanga ambobva nepi
chaizvo.

Ndakamhiza ruoko rwangu akavarairwa


ndichibva ndati speed ndakananga kumba
ko ndakambosvika kure here ndakanga
ndadonha.

*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:48] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/CyDcA71MNZp
APP2PnlFqjG
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

# 0621141536
*Chapter 3*

*SHUPIKAI*

"Saka iwewe unondironda uri chii changu


iwe , sei wanditevera kuno" vakadaro
mhamha vachiita sevanoda kundizamurira
mbama ndichibva ndadududza kudzokera
kumashure ndikanomira kure navo.
"Kwete mhamha ndaingozvifambira hangu
ini ndiri kuenda kuhuni" ndakadaro ivo
vaitoratidza kunyara chaiko , vakada
kundipopotera nhema ndikaona kuti inyadzi
idzi , vakabva vafamba kuenda kumba
ndikasara ndakangotarisa gotsi ravo
ndichinzwa kusvotwa chaiko, dai ndaiva
nebanga kah ndaigona kuvabaya dzana ravo
iroro cz ndaitova nehasha dzisingaiti.

Ndakapinda musango ndokutanga


kutenderera ndichitsvaga huni dzakakora
dzaida mhamha dzacho , ndakazongoonawo
muti wakanga wakaoma ndikatanga
kuutema kusvika wadonha.

Paitova nehuni dzakakora chaizvo ndikateza


kukwanisa masvinga maviri ndichibva
ndamasunga , rimwe racho ndaizoridzokera.
Ndakatakura huni dzangu ndikaenda kumba.
Ndakasvika kumba ndokutura huni dzacho
ndikaenda kunomwa mvura mumba ,
pamba paitoratidza kuti vanhu havapo
zvichireva kuti vakanga vabuda.

Ndakaenda kuimba huru ndikatanga


kutenderera ndichimboongororawo mumba
sezvo nguva yekupindamo ndinenge ndisina
plus havatodi kundiona ndirimo, ndakanzwa
kurira kwefoni ndikamhanya kunotarisa kuti
ndeyani , ndakaona iri ya Melissa yaitova pa
charger.

Yakarira ikadzima ichibva yarira futi


ndikaitora ndokudzvanya paiva nechitsvuku
ichibva yadzima , pasina nguva yakarira futi
iri mumaoko angu ndikabaya paiva nechi
green ndichibva ndanyarara ndikanzwa
kuti....

"Iwe Melissa handina kukuudza kuti


handichadi nezvako here? Ndinokudii
munhu akuziva varume twenty plus kunhu
kwako kunotyisa uko , kwakazara mamvura
zvinotobhohwa kunoita kuti chakwa-
chakwa kuita sezvinonzi ndiri kudhidha
mudhamu ,ini nezvako bodo usandiisira futi
msg ndapedza newe".

Foni yakabva yadzima ndikaita kutura


mafemo ndichiita kupererwa nemashoko
aiita kukandwa nemukomana uyu , Haana
kana kuda kumirira kudairwa.

Kana kumirira kunzi haro haana hake ko dai


vari mhamha vakanga vadaira paibuda
chakanaka here. Ndakazongoona
ndakutoridza chikwee chaicho , shuwa
mashoko emukomana uyu akandinakidza
chaiko ende aitoratidza kuti akatsamwa
chaizvo.

Ana Melissa akutoziva varume inga


zvakaoma veduwe , zera racho ndiro
risingaiti apa atori mudiki kwandiri hake ,
anonyengedzwa naicho chivakashure
chaanoti kana achifamba anoita
kumaminyura magaro kuita
seachamadonhedza, ndaitadza kuziva kuti
sei Melissa akunyanya kungwarisa izvo
akungwadzwa nevarume.

Ndaiti ndikafunga mashoko emukomana


uyu ndaibva ndatanga kuseka chaiko apa iye
kana kunyara hake nezvaaitaura zvacho.

Ndakanzwa panze kuti gwedere gwedere


ndikamhanya kutsveta foni ya Melissa pa
charger ndikanhonga mutsvairo
ndokunyepa kutsvaira tsvaira hangu.

Ndakaona Meli achipinda padoor


ndikaenderera mberi nekutsvaira , "uri
kutsvagei muno iwe mwana wemuroyi".
Ndakanzwa hasha Melissa achinditi mwana
wemuroyi hameno mwana iyeyu
aimbotemba neyi chaizvo , ndakada
kumuzamurira gwati rembama asi nguva
iyoyo ndakabva ndazvidzora , "pano panoti
pamba pababa vangu haungandibvunzi kuti
ndiri kuitei muno iwewe hako mutorwa
wepano."

Ndakanga ndatochinja face ipapa , munhu


rudzii asingaguti kunyarwa , zvikanzi "heede
ende wakasara iwe manje manje panenge
pava kuti isu pano" ndakapererwa
nemashoko ekamwana aka kuzonatsa
kushama ziromo raiko kubudisa mashoko
iwaya ende mai vacho vakanga vatoparira
vana nezvito zvavo.

"Uri kuti chii?" Ndakadaro ndichida kuti


kadzokorore zvakanga kataura , zvikanzi ,
"sakei ndaiti wakasara ingoziva izvozvo"
akadaro achitora foni yake achibva agara pa
chair ndokutanga kutikinya foni yake ,
ndakaramba ndakamutarisa ndichinzwa
mamwe mazihasha asingaiti.

"Melissa!" Ndakadaro kuri kutopererwa


nemashoko chaiko ,akabvisa maziso ake
pafoni ndokunditarisa achindipima
nemaziso zvikanzi , "iwe imbwa iwe buda
muno ,dai uchisiya tsikidzi dzako muno
hatidi kurumwa isu".

Ndakashaiwa zvekuita ndichisiya Melissa


achitaura zvaanoda , ndakanzwa maoko
angu kuvavira kunzwa kuda kutorova
munhu chaiko , "handidi kutsamwisa newe
Melissa , ungandidzinga sembwa mumba
mababa vangu kuti zviitei sei ,unaguta
kunyarwawo" ndakadaro ndakapora cz dai
ndakakwidza voice ndaigona kuzomurova
ini , ndakanga ndisingadi kumurova cz
ndaizopondwa naivo mhamha.
Zvikanzi, "eh iwe ndati buda mhani"
akadaro achisimuka ndokusimudza ruoko
rwake kuda kundirova ndichibva ndarubata
ndikati , "Melissa kah usazozviedza futi izvi
usaona kukura body kwawakaita wotoda
kuona seuri mukuru kwandiri , dzikama
munin'ina , usandiona kunyarara ukati
handina mashoko ekukupinduraka, usada
kundishungurudza pamba pangu pano ,
ndizvo zvamakaurayira baba venyu kuda
kuuya kuzondinetsa pano nekuda kutora
zvinhu zvababa vangu manje hazvife
zvakaitika Melissa,batisisa mashoko angu
aya".

Ndakadaro ndichikanda mutsvairo pasi ,


ndakanga ndatsamwa ini akandituma
kutaura zvandakanga ndisingadi kutaura
mhani , anofunga achiti ndiye ega anogona
kutaura kwacho , zvekuti vakauraya baba
vavo hapana chandaiziva
ini ,ndakangotaurawo zvekuti arwadziwe.
Ndakatora hata yangu , ndakubuda
chivanze Melissa akabva adaidzira kuti ,
"uchademba chete iwe manje manje uri
kutevera ma....." Handina kuzonzwa
kupedzisa kwake sezvo ndakanga ndakure
naye , handina kuita basa nazvo ini ,
ndakasvika paiva nehuni dzangu ndichibva
ndambogara ndichida kuti hasha dzangu
dzimboserera.

Shuwa Melissa kuda kutonditonga nepamba


pasiri pake , nofunga mashoko angu
akatombomubayawo pamoyo pake ,
ndakazosimuka ndikatakura svinga rangu
kwakunanga kumba.

Ndakasvika kumba ndikajata huni dzangu


ndikaona Melissa akagara panze angori
pafoni yake , pakangondiona akabva andipa
ziso raireva chinhu ndichibva
ndamudzvokorawo akaminyura miromo
yake. Ndakaona door repa kitchen
rakashama ndikaziva kuti mhamha vanenge
vauya sezvo zuva rakanga ratovirawo.
Ndakagara pabunch raiva panze ndokunzwa

"Shupi mwanangu huya nehuni dzakakora"


yowee ndakarohwa nehana ndichinzwa
mhamha vachidaro , zvakandinetsa kuti
kutanga rini mhamha kunditi mwanangu,
kubva ndichigara navo ndakanga ndisati
ndambovanzwa vachidaro ini.

Pfungwa dzangu dzakambofunga kuti asi


vamwa doro kani nekuti vaitoratidza
kakufara , pfungwa dzangu dzakabva
dzamhanya futi kufunga kuti maybe vari
kuda kundivhara vhara kuvaona
kwandakanga ndavaita , vaitozvinetsa havo
handisweri ndichitaura mashoko akadaro
kuna baba vangu , handidi kuita zvinhu
zvekuti ndivengwe ini.
Ndakanotora huni dzacho dzakakora
ndikapinda nadzo mumba ndikati ,
"maswera sei mhamha" ndakadaro zvikanz ,
"ndaswera hangu" vakadaro vachitoratidza
kufara ndikabuda mumba ndikaenda
kunogara panze.

Ndakatora chi bucket chemvura


ndikazvidira dira muviri wangu ,
ndaingogezawo zvemutemo kwete kuti
ndaigeza zviro kwazvo.

Mhamha vakapedza kubika tikadanwa tese


mumba nana Melissa ende zvese izvi
zvaitondishamisa ini ndaitadza kuziva kuti
mhamha vadyei chaizvo chaiita kuti vadaro.
"Sadza rako iri shupi" vakadaro
vachitonditambidza ndikadonha rute
ndichiona nyama yaiva mundiro umu
yakaita kutsvukira zvisingaiti.
Ndakabuda panze ndikanogara pa bunch
nekuti mumba maipisa, neche mumoyo
mangu ndaingoti Mwari mandibvira nepi
ndakatarisa nyama iyi.

Ndakatsveta ndiro yangu pa bench


ndikanochera mvura mumba yekumwa ,
ndaida kudya ndichimwira zvimvura , "woda
kuzviuraya ka nhasi" akadaro Mona
ndikasekerera ndichibuda panze.

Ndakatarisa mundiro mangu ndikaona


musisina kana chinhu , ndakanzwa
kubhoikana veduwe nekutsvukira kwakanga
kwakaita nyama iyoyo ndakabatikana
chaiko , misodzi yangu yakada kubuda
chaiko , ndakatarisa tarisa mativi ose
ndichitsvaga imbwa yakanga yadya sadza
rangu sezvo ndiyo yandaitofungira.
Ndakaenda kunotarisa kuseri kwe kitchen
ndikarohwa nehana ndichiona..........
*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:48] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/CyDcA71MNZp
APP2PnlFqjG

*POOR SHUPIKAI*
*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*Chapter 5*
Ndakaramba ndakazvambarara pasi
ndakutonyara kuti ndosimuka sei ,
mukomana uya akafamba kuuya kwandiri ,
akasvika achibva amira ndokuramba
akanditarisa ,ndakatarisa bhutsu yake
ndikaona iri yemhando yepamusoro
aitoratidza kuti anowanawo zvishoma.

Ndakamuka ndikagara pasi ndikatarisa side


ndisingadi kutarisana nemukomana uyu.

"Unonzani musikana"

Akadaro ndichibva ndamutarisa


ndikayeverwa nerunako rwake , maziso
angu handina kumabvisa paari achibva
anyemererwa ndikatizisa maziso angu paari.
"Deliverance"

Ndakadaro ndichitarisa divi ndikatanga


kutsopora pasi nechimuti. Zvandaiva zvacho
zvaitonyadzisa chaiko iyo tsvina zvayo
ndakanga ndotya kutonhuwira mukomana
uyu.

"Nice name Deliverance ooh card rangu iri


kana uchida help unogona kuzondifonera
ndokubatsira."

Akadaro ndichibva ndadzungudza musoro


ndichiramba , akabva adzorera card rake
muhomwe , ndakanga ndisingadi rubatsiro
kubva kwaari ini chakaita kuti ataure
izvozvo chii kuita sendakanga ndati
andibatsire.

Ndakasimuka ndokutanga kufamba


zvishoma ndichipinda musango, ndisati
ndasvika kure zvikanzi
"Deliverance!!!!"

Akadaro neizwi rakatetepa ndikamira


kwakucheuka kumashure ndikati

"Maita basa mukoma handisi kuda rubatsiro


rwenyu manga maita basa" ndakadaro
zvikanz

"Usatya Deli handirumi ini


ndakatofananawo newe ndiri munhu
anonamata handicheki vanhu moyo wangu
wangoda kukubatsira"

Hezvo baba ava vaitopenga chaiko , pane


munhu anotaura kuti ndinocheka vanhu
here kana kuti anongokubata chete asina
kutaura, iko nekwaakanga abva munhu uyu
andina kana kukuona.
"Mwari ngakupei zvakawanda mukoma
nemoyo wenyu wekubatsira uyoyo"

Ndakabva ndafambisa handina kuda


kuzomirira mhinduro yake , ndakasvika
paiva nedombo ndichibva ndagara ipapo
ndichifunga nhamo dzangu , ndaisaiziva kuti
ndoita seiko nehupenyu hwangu
hunorwadza kudai.

Pfungwa yekuzvisungirira handina kuda


kuidzosa mupfungwa dzangu nekuda
kwekurwadza kwaiita muhuro mangu.
Ndakabata huro yangu ndikanzwa yaita
kuchekeka kusara maronda.

Zvekugara namhamha ndakanga


ndisingachadi ini ndaigona kuzotofira
mumaoko avo, zvekutaura ndakanga
ndisingachadi hangu sezvo zvaizondipinzisa
pakaoma.
Ndakanga ndoda kuvasiya vachiita
zvavanoda zvacho ini wangu muromo
ndovhara. Munhu anoroya manheru ari
nane pane anoroya masikati samhamha.
Vakanga vandigura kunorira chaiko , mwana
wavo akarohwawo sezvavakanga vandiita
handifungi kuti vanozvifarira asi kana wati
kurova mwana wemumwe munhu
havarwadziwi.

Ndakasimuka ndikaenda kumba


ndichifamba zvishoma shoma , ndakasvika
kumba kuna Melissa handina kuda kutaur
naye , ndakaisa mvura yangu yekugeza mu
bucket imwe ndikadziisa pamoto ndaida
kutova maronda angu.

"Handina kukuudza here kuti


uchazvidemba ,dai mhamha vakusiya wafa."

Akadaro Melissa ndikaramba ndakanyarara


zvepamuromo naye ndaisada hangu ,
ndakanogeza kubvisa ropa rakanga raomera
paganda rangu ndikapedza ndikanodira
mvura mu bucket inodziya ndikagara panze
ndikatanga kuzvitova.

"Zvawaitwa zvishoma izvi"

Akadaro futi Melissa achindidenha hake ,


ndakamupa ziso rizere shungu ndikati

"Ndisiyewo ndifeme"

Ndakadaro ndichizvitova zvichirwadza


chaiko zvikanzi

"Iko kufema ikoko ndiko kwatisingadi kuti


uite"

Akadaro achitaura akatoperera hake ,


ndakamunyarira ndikaenderera mberi
ndichiita zvandaiita.
Akasimuka paakanga akagara akauya
kumira pamberi pangu zvikanzi

"Uchatsvukira chete pano"

Chero pakadai ungatadza kunzwawo hasha


here ,ndinombozama kuzvidzora
nekuzvininipisa asi zvinozoita senge
pfungwa dzangu dzisingashandi.

"Melissa munin'ina wangu dai uri mumwe


waitawo munhu kwaye unofunga uchiti
kwauchanororwa ikoko unoinda namai vako
here? Iwo maitiro awuri kuita ipapa ndizvo
zvaunongoita nekwauchaenda ikoko."

Ndaitozama kumudzora asi munhu wacho


aitova dzadambuka. Akaridza kachikwee
kunga asingadi kuseka zvikanzi

"Shupikai , ngakave kekutanga nekuguma


kunditi munin'ina wanzwa here?" Handina
sisi vanenge iwe uye usandiudzira zvekuita
nekuti life ndeyangu iwewe ita zvako ini
ndoita zvangu"

Akadaro achiita kumwaya mwaya maoko


ndikati

"Hazvina kushata Melissa"

Ndakabva ndatorasa mvura yandaishandisa.


Ndakafunga kuenda kumba kwe shamwari
ya mhamha vangu Mai Tafara pamwe
vaigona kundibatsirawo.mai tafara
vainzwanana namhamha vangu zvisingaiti.

"Ndichambobuda"

Ndakadaro ndichioneka Melissa zvikanzi

"Enda wakanyarara iwe"


Veduwe rough yaiva na Melissa yakanga
isina kunaka zvachose , ndakanga
ndamuonekawo zvakanaka asi kudaira
kwake kwakandipedza simba. Zvekuswera
kutsamwira vanhu vasina kukwana
ndakanga ndisina nguva yacho.

Ndakafamba kuenda kwamai Tafara paitova


nekachinhambwe ,ndakatombo pakwinya
pasi ndikazosvika makumbo angu
akutorwadza.

Lucky handina wandakasangana naye


munzira ndaitonyara kuonekwa nemavanga
angu , ndakasvika vachisuka mandiro
vakagara pamvuri we kitchen.

"Gogogoi" ndakadaro ndakutopinda


muchivanze"

"Svika hako ndiwe hako Deli"


Vakadaro ndokuramba vakanditarisa
vachiita sevanondiongorora ,ndaitoziva kuti
hakuna chimwe chavari kutarisa kunze
kwemavanga angu.

"Yowee nhai Deli muviri wako ukagozara


mavanga kudaro zvaita sei."

Vakadaro ndichibva ndagara pasi ndichitura


mafemo ndikati

"Ndakamarwa ndiri kuhuni"

Ndakatoti ndinyepe asi moyo wangu waida


kuvaudza chokwad, vaizondibatsira sei ini
ndichivanyepera.

"Hakusi kumarwa uku ndiudze kuti wakaita


sei"

Vakadaro, vakanga vatosiya kusuka mandiro


vatomirira kunzwa nyaya.
"Ndarohwa namhamha , handichadi
zvekugara navo handichazivi zvekuita mai
Tafara ndodii?"

Ndakazopedza kutaur misodzi yangu


yatobuda kare , "zvakaoma sei mai vako
vaine hutsinye hwakadaro , ko baba
wakambovaudza here?"

Nyaya yacho ndaisada isvike kuna baba


ndaitozviziva kuti Mai tafara vanogona
kundipa foni yavo kuti nditaure nababa
vangu.

"Ayewa handidi kuti baba vazvizive" zvikanzi

"Ko wakatadza kuenda kunogara nagogo


here kana uchiona kuti pamba hapagariki ,
unombozviona zvauri here Deli chero mai
vako nekwavari ikoko handifungi kuti
vanofara nazvo izvi".
Vakadaro vachiratidza kutobatikanawo
nazvo zvino zvekuita ndipo pakanga pasina ,
kwagogo ndakanga ndisingadi kuenda asi
dai kuri kwagogo mai vamhamha vangu
ndaigona kuenda hangu.

"Ndiudzeiwo kuti ndoita sei handina kana


zano Mai Tafara ndimi mungatondibatsira"
zvikanzi

"Haudi basa here uyende kunozvishandira


hako"

Zvebasa ndakanga ndisingadi kuzvinzwa,


ndaigoshanda sei pamba pevanhu pasina
kana chandinoziva asi kuda kunonetsa
hangu vanhu kani.

"Idea yenyu yanga yakanaka asi handina


chandinoziva kah ini panyaya dzebasa idzi"
zvikanzi
"Hakuna munhu anoenda kubasa achiziva
zvazvinoitwa Deli asi kuti anondodzidza
ikoko kusvika agona , handi watokura so
unofana kungwara."

Moyo wangu waisada izvozvo


zvaitondirambira chaiko ,

"Ndine munhu aitondinetsa aiti pana mbuya


vanoda munhu webasa rega ndivafonere".

Vakadaro Mai Tafara hana yangu ikarova


ndakanga ndakutadza kuziva zvekuita ini ,
ndakada kuti vasafone asi ndakatadza
kutaura.

Vakataura pafoni vakapedza zvikanzi ,


"munhu wacho ati achazotaura nagogo
vacho kuti vakazowana here munhu
wavaida".
Mumoyo mangu ndaingoti dai vakati
ndakamuwana ndaisada zvinondinetsa ini.
Ndakabva ndatovakumbira foni yavo
ndichida kumbotaura nababa vangu.

Vakandipa ndikataura navo ndikavakumbira


mari yekutenga hembe dzandaiva nadzo
dzakanga dzisingachaiti. Vakabva vatoti vari
kutumira manheru ndikavati vaise pafoni
yamai Tafara iyoyo.

"Wagona ipapo wafunga wakuda dzimwe


hembe iwe"

Vakadaro vakanga vatozvionawo ,


ndaizotenga hembe dzavo dzavanotengesa
ndikati

"Ndakuenda ini maita basa ndodzoka


mangwana" zvikanzi
"Okay Deli pinda mumba unhonge chibage
chandabika ufambe uchidya"

Ndakamboda kuramba ndikazoenda


kunotora ndikavaoneka ndikadzokera
kumba ndichidya chibage, vakanga
vandigonera havo ndakanga ndonzwa nzara
chaiyo.

Ndakapedza kudya chibage changu


ndikatonzwawo zviri nane , ndisati ndasvika
kumba ndakaona pamba pachipfungaira
hutsi huchinzika kunhuhwa , handina kuziva
kuti chii chaipiswa.

Ndakawedzera kuvhura nhanho


ndokufambisa ndichienda kumba ,
ndakaona Melissa akabata hembe achiita
seanodzikanda mumoto ari kumapeto
kwechivanze.
Ndakamhanya ndikasvika ndichiona akabata
hembe dzangu veduwe chero uchida
kuzvidzora kwacho unenge une moyo
wakaita sei chaizvo.

"Melissa!!!"

Paakangoona kuti ndasvika akabva akanda


dzese mumoto ,chakazondibhohwa
aitokanda hake achiseka kuita
sezvinonakidza.

"Hatigari nezvikorobho mumba isu"

Handina kuona nguva yandakasvika paari


ndakabva ndabata colar yehembe yake
ndichibva ndamupa gwati repamba
rakasimba.

Ndakamusundira kwakadaro uko achibva


adonha , ndakatoona kuti Melissa ndizvo
zvaanoda nekuti anozozvinyanya chaiko.
"Zvemuyedzo newe handidi Melissa ,
ndakakutadzirei chaizvo wapisa hembe
dzangu unoda ndipfeke chii , unoti
zvikorobho dzakanaka dzacho unodii
kundipa."

Ndakadaro achibva asimuka kana


kumbochema hake kutoita seasina
kurwadziwa.

"Une shuwa here nekundirova".

Ndakanga ndakutodemba nechandakanga


ndamurovera , ndakanga ndakutya
kuzotaurirwa kuna mhamha.

"Sorry Melissa asi zvawaita hazvina


kundinakidza neyi uchidaro , inga ndine
ropawo serako wani ndinotorwadziwawo
sezvaunoita".
Akambodaira here akabva azunza magaro
ake achienda , ndakasara ndakamira
ndichitopererwa chaiko.

Hembe dzangu dzakanga dzatova madota


hadzo ,misodzi yangu yakada kubuda
ndikaidzora.

Ndakanogara pabench ndakazembera


madziro ndichizvinetsa mupfungwa dzangu,
mukomana uya aiti anoda kundibatsira
akabva auya mumusoro mangu asi kuti aida
kundibatsira neyi chaizvo ndakabva
ndasiyana nazvo.

Akava manheru mhamha na Mona vakauya


nekwaibviwa ndakatadza kukuziva ,
vakabika sadza re manheru ndichinzwa
mumba muchiita kunhuhwirira chaiko.

"Shupi!!!"
Vakadaro mhamha vachindidana ndikati

"Mhaaa"

Ndakadavira ndichipinda mumba ndikaona


vana Melissa vakutodya sadza zvikanzi
namhamha.

"Tora sadza rako iri"

Vakadaro mhamha ndakanga ndisingadi


kudya sadza ravo ini , ndaitonzwa mweya
wangu uchiti usadya sadza iroro. Nzara
ndaiva nayo asi yakabva yatopera kunzwa
kutoguta chaiko.

Ndakatarisa mundiro yacho ndikaona mune


nyama yaitodonhedza rute asi handina
kuita moyo nayo.

"Ndakaguta mhamha"
Ndakadaro ndakutobuda panze zvikanzi

"Wadyei?"ndikati

"Ndiri pamutsanyo"

Ndakadaro ndichinyepa ini , Mai ava


ndakanga ndisingachavanzwisisi nekuda
kwesadza riya rakadyiwa neimbwa ikabva
yafa. Ivo kana kumboda kundiitira zvihasha.
Manje chavasina kuziva ndeche kuti imbwa
yakadya sadza ndakaivona ivo kufunga
kwavo vaiti handina kuivona.

"Chirongedza sadza racho uzodya


mangwana"

Ndakarongedza sadza racho ndaida


kuzotorirasa kana kwachena , vakanga
vanyangira yaona Mai ava.
"Munhu wepi kuramba sadza" akadaro
Mona ndikamunyarira , ndakarongedza
sadza racho pakanaka.

"Apa anopedza dura futi pano hapana


vanhu vanodyisa sa Shupi" akadaro Melissa ,
mhamha havana kana kumbovadzivisa
zvavo ndakavatarisa ndikaona vachiita
sevanotozvifarira , ndaizopedza dura sei
ndichimbonyima chikafu chacho.

Iwo mazuvano kundipa chikafu kwavari


kuita ndakaona senge pane zvavari
kundirongera.

Nguva yekurara yakwana ndikaenda


kunotora machira angu ndikawaridza
mumba , ndakarara ndakatarisa mudenga
ndikaturikidza makumbo angu ndichifunga
nezve basa raitaurwa namai tafara.
Moyo wakamboti ndiende nditize nhamo
yepamba apa , ndakafungisisa ndikashaiwa
kuti ndodii chaizvo.

Ndakapfugama ndikanamata ndokupinda


hangu mumachira , ndakangoti kuisa
musoro pasi hope dzichibva dzatondibata.

Ndakatanga kurota mhamha vangu


vakapfugama pasi vakasunga dhuku jena
mumusoro. Ndakanga ndakamira kure navo
vachibva vanongedza kumabvazuva
ndikatarisa ikoko ndikaona kune chipiyaniso
ndikaramba ndakachitarisa , nguva
yandakati nditarise kuna mhamha
ndakaona vasisipo.

Ndakabva ndapepuka nguva iyoyo


ndikagara pasi , ndakada kubatanidza
zvinoreva hope idzi asi handina kuziva
zvadzinoreva , ndakabva ndadzokera kurara
hangu.
*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:48] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/KchaZ5vpTV9G
5bkE7tyGVf

*POOR SHUPIKAI*
*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*Chapter 6*
*REA*

Kuona kwandaita musikana aidonha


mumuti ndakamboda kupfuurira kuenda
mberi nerwendo rwangu , Asi pfungwa
dzangu dzakabva dzati ndimise mota
ndiende kunoona munhu adonha mumuti.

Ndakasiya mota yangu paside peroad


ndikamhanya kuenda kwaaiva.
Ndakazorohwa nehana ndichiona aine
tambo muhuro yake. Ini kufunga kwangu
ndaiti zvimwe adonha achida kutemha
michero asi ndakatarisa muti wacho
ndikaona usingatobereki. ndakabatikana
ndichiona muviri wake wakazvimba zvese
nekuzara ropa asingatotarisiki. Ko akanga
amboitwa seiko kusvika pakuda
kuzvisungirira , ndakazvinetsa ndega
ndichizama kuda kubatanidza chakanga
chaita kuti adaro.

Ndakamuzunungusa ndokuramba ari zii


asingambozununguki , ndakanga ndakutya
kuti musikana uyu anogona kundifira pano,
pandakangofunga izvozvo hana yangu
yakabva yaita kubika manhanga chaiko.
Ndakaisa ruoko rwangu pachest yake
ndokunzwa achifemera kure. Pandakanga
ndoda kumusimudza kuti ndiende naye
kumota akabva amuka moyo wangu
uchibva wafara nekuti ndakanga
ndatofunga kumhanya naye kuchipatara.

Kuzomuka achida kumhanya kutiza ndiko


kwakazondipedza manje aisatadza hake
kutya sezvo kusvika kwangu akanga asina
kukuona. Zvaakanga akapfeka
zvakandinzwisa tsitsi zvakazoita kuti ndive
nepfungwa yekuda kumubatsira.
Ndakamuudza zvekuda kumubatsira but
akarambisisa aitoratidza kuti ari kutya hake ,
ndakaramba ndakamutarisa pandakanga
ndamubvunza zita rake akadavira
achibudisa zvikomba mumatama ake.
Akazondiudza zita rake achibva ayenda ,
ndakamboda kumutevera ndichida kuona
panogara but kwaienda kwacho
kwaitoratidza kuti hakuna dzimba.

Ndakadzokera kumota yangu moyo wangu


uchirwadza kusiya musikana uyu nezvaaiva
zvacho. Ndakapinda mumota
ndokumbogara ndichifunga kuti saka Deli
anomborarama sei chaizvo. Ndiri munhu
anowana asi ndikaona munhu anotambura
nekunetseka moyo wangu unorwadza
ndobva ndatomubatsira. Moyo uyoyo
handizivi kuti ndakauwanepi pamwe inyaya
yekunamata kwandinoita nekuti ku church
handiregi kuenda.

Ndakamutsa mota yangu ndikaenda ku


mashops kunotengera tete vangu ma drinks
nezvimwewo zvavakanga vandituma sezvo
vaigara kure nema shops. Ndakanga
ndakamboshanya kumusha kwa tete vangu
ndakabva Harare ndichitiza nyaya dzaivako ,
mhamha vangu vaindimanikidza kuti
ndiroore musikana andisingadi ivo
vaimufarira asi ini wandinenge ndichida
havadi kuti ndimuroore. Kuita
zvekunditsvagira musikana kuita senge
ndakaremara ndisingagoni kunyenga ndega.

Ndaiva nemusikana wangu ainzi Annah


ndaimuda zvisingaiti akazondiramba nekuda
kwekuti mhamha vakamudzinga sembwa
pandakanga ndaenda naye kuma intro.
Akabva atororwa nemumwe munhu
ndakanzwa kurwadziwa chaiko zvese
izvozvo zvichikonzerwa namhamha.
Handina kuzomboda futi kunyenga mumwe
musikana zvakanga zvakundibhowa
zvevasikana ndakanga ndisingachazvidi
kutonzwa kusvotwa nazvo. Handifungi kuti
ndaizowana futi mumwe musikana andaida
sa Annah. Asi ndaisamupa hangu mhosva
nekuti Mai vangu ndivo vakaita zvisina
kunaka.

Kundimanikidza kwaiita mhamha kuti


ndiroore Kimberly wavanoda kwaindimara
chaiko mugoona kimbi wacho handina kana
kumbomunyenga kungoti hanzi roora iyeye
ndiye muroora kwaye.

Mai vangu neva kimbi vanowirirana


hameno ndizvo zvakaita kuti vati
ndimuroore here ndakatadza kuzviziva ini.
Ndakakura naye kimbi achiita musikanzwa
akambodanana neshamwari yangu
akazobvisa nhumbu yake ndokusiyana
kwavakaita asi ndiye wandakunzi ndiroore
kunyangwe ndakapusa zvemutowo upi
handizosviki pakunzi ndiroore munhu
akasvotora nhumbu hameno kanokwana
kuita kangani.

Ndaida kuzorora musikana andinoda kwete


andinoita zvekupiwa izvozvo hazvibudi
hazvo. Vana mukoma vangu vakaroora
vakadzi vavanoda asi ini ndini ndinoita
zvekutsvagirwa ndaitotadza kuziva kuti mai
vangu vanozviitirei.

Ndakasvika pama shops ndiri mundangariro


chaimo , ndakatenga zvandaida
ndikadzokera kumba. Ndakanga ndakuda
kutodzokera Harare ndakanga ndagarisa
kwatete vangu , ndakamboda kubvunza
tete nezva Deli ndichida kuziva kwaanogara
asi ndakazosiyana nazvo. Moyo wangu
waida kuti kana ndadzokera Harare
ndotenga zvinhu zva Deli zvandinoonawo
kuti anobatsirikana nazvo kusaziva kuti
aizozvibvuma here zvinhu zvacho.

Ndakaonekana natete ndokudzokera hangu


Harare.

*SHUPIKAI*

Ndakamuka kuseni-seni ndikawarura


machira angu ndikanomaisa panze ,
chekutanga chandakaita ndisati ndaita basa
ndeche kutora sadza riya ndikanorirasa
mumusingwini chaimo ndaisada kuti imbwa
dzidye sadza iroro.
Ndakadzoka ndikabudisa mandiro angu
ndikatanga kusuka , ndakapedza
ndikakorobha mumba. Vanhu vakazomuka
ndatopedza kuita basa rese ndatozvigarira
hangu pamushanha.

Ndakagara pamushanha ipapa ndichiterera


kamudziira kezuva kainatsa kupinda
munyama dzangu , ndakazovhunduswa
namhamha ndikati kwaku kusimuka.

"Wadya here sadza"

Vakadaro mhamha vachangomuka


vachitotsukuta maziso avo aiva nemabori.
Zvakatondinetsa kuti kwakanaka here
kwandinoita kumukurirwa kubvunzwa
kudaro.

"Ndadya , mamuka sei mhamha"


Ndakadaro vachibva vanyarara vakatanga
kufamba vachiinda ku kitchen ndikasara
ndakamira ndichitoshaiwa kuti chii chaizvo.
Mhamha vakabuda mumba vakabata ndiro
yaiva nesadza iya zvikanzi

"Usandiudza kuti sadza rangu waripa futi


imbwa iwe"

Vakadaro vakabudisa ziso sechidhoma


vakatanga kufamba vachiuya kwandaiva ,
ndakanga ndakutya ndakamboda kutiza asi
ndakazorega ndaigona kuzotonzi usadzoka
futi pano. Koivo neyi vaiti ndaripa imbwa asi
pane zvavaitarisira kuona pandiri kani kuti
vaone kuti ndadya sadza racho. Ndakanga
ndakutoshushikana kutozvinetsa
mupfungwa dzangu.

"Handina kupa imbwa mha....."


Handina kupedza kutaura ndakanga
ndatovharwa mbama kare yakaita ndione
zvitaitai masikati machena. Mbama yavo
yaiva nesimba zvekuti dama rangu rakasara
richipisa zvisingaiti , ndakadzungudza
musoro wangu nekuti ndakanga
ndisingachatonzwisisi zviri kuitika ndakanga
ndaita sendabatwa nechahwihwi.
Ndakatarisa mhamha ndikaona maziso avo
akatsvuka seemunhu asvuta fodya ,
muromo wakanga watonzi shwee kusungwa
kunga kushure kwehuku iri kubva kuita
tsvina.

"Iweka uchandiguta pano , chawatadza


kudya sadza iroro chii? Kwako kuguta here
unopa imbwa sadza uri datya remunhu ,
kutanga nhasi hapana chauchadya pano."

Vakadaro mhamha vachipopota vachiita


kubudisa nezvimate mukanwa , ndakabata
kumeso kwangu ndikanzwa kwatozara mate
avo ndikapukuta.

Ndakabva ndafunga hangu mukomana uya


aida kundibatsira dai ndisina kuramba card
rake , zvino hapana zvandakanga
ndichakwanisa kuita sezvo ndakariramba
kungoti ndaitomutya cz ndaisamuziva
ndaitotya kuchekereswa. Asi iye wacho
aitoratidza kuti aitorevesa kuti anoda
kundibatsira.

Moyo wangu wakambofunga kuda


kumboenda kwagogo zvekuti kune
vazukuru vakawandisa handina
kumbozvitarisa , ndaida kumbonozorodza
nyama dzangu sezvo ndaiva ndatindiwara
nekurohwa. Ndaizodzoka hangu pa mazuva
mashoma sezvo ndinenge ndambozorora.
Ndaida kutaura namhamha kuti
vandibvumidzewo kuenda.
"Mhamha, ndokumbirawo kumboenda
kwagogo."

"Hakuna kwaunoenda ndezve kutogara


pano ndipo pauchafira, zvako zvekuda
kudziya musoro izvozvo zvichapera hazvo."

Vakadaro ndikanzwa kurwadziwa mumoyo


mangu kana vachiti ndichafira pano
vanenge vachirevei chaizvo. Nguva iyoyo
ndakabatwa neshungu dzisingaiti
ndikachemera mumoyo. Zvekuti ndofira
pano ndizvo zvaisafa hazvo zvakaitika kuti
ndakarohwerwa mbambo here zvekutadza
kubva pamba ipapa.

"Unoda kuti vana vangu vasare vachifa


nebasa pano hazviiti , iwe Mona tora zvinhu
zvedu tibude"

Vakadaro vachitosimuka kuda kuenda


kwavaida vachibva vadaidzira kuti
"Iwe Shupi uzoenda kuhuni uteze dzakakora
chaizvo , Melissa ugobika chikafu chako
wega wanzwa here?.

Melissa akabva adaira vachibva vaenda,


Kutaura kwa mhamha kwakandibata-bata
chaiko zvichireva kuti ini ndiri mushandi
wavo nhai kana vachiti vana vavo havadi
kuti vafe nebasa , "Inga zvakaoma"
ndakangokaruka ndadaro ndega
ndikazovhundutswa na Melissa uyo
aingokwamamata kutaura ndikatarisa
kwaari ndikati

"Watii" zvikanzi

"Saka hauna kunzwa zvandataura ipapa


ndati chera mvura uko."

Yowee ndaisada kuseka ini asi ndakaseka


nhamo serugare zvokwadi Melissa
aitondiona semwana mudiki uye semunhu
akatosara chaiko. Kundituma semwana
wake kudaro kundisaiza kwacho akanga
akuzvinyanya. Mvura taichera pamba pedu
isu iye hameno hwaiva husimbe here
hwekuchera mvura yacho kuda kungoitirwa
zvose akagara kutozviita boss hake.

"Unondishamisa wangu watadza kutorawo


mugomo ukachera mvura here sei
uchiindiita senge mwana wako ndiri munhu
mukuru kwauri Melissa."

Ndakadaro ini ndichitopererwa nekuita


kwake , ndakatoona kuti vana ava
vatotodza kuita kwamai vavo.

"Zvekuti uri mukuru kna mudiki handina


basa nazvo Shupikai chandiri kuda imvura
chete ndoda kubika ini".
Akadaro achifinyamisa kahuma kake
miromo ichiita kumonyewa kani.

"Kana wakunzwa nzara uchachera hako"

Ndakadaro ndichitora hata nemasungo


ndanga ndafunga kuenda kuhuni.
Ndakaenda kuhuni ndikamusiya
achinyunyuta ega. Ndakapinda musango
ndikaviga masungo angu mugwenzi
ndikaenda kumba kwamai tafara sezvo
ndakanga ndakavaudza kuti ndichadzoka
mangwana. Ndiwo waitova mukana wacho
wekuti ndisvike kumba kwavo.

Ndakaenda ndikasvika vachipunungura


chibage chavo chakaoma.

"Mamuka sei Mai tafara" ndakadaro


ndichigara pasi ndikatorawo chibage chaiva
murusero ndikatanga kupunungura.
"Ndamuka Deli kurisei kumba"

Takapedza kukwazisana tikambotaura


dzimwe nyaya tichiseka hedu ,ndaisava
nenguva yekuseka kana ndiri kumba. Mai
tafara vakabva vati

"Baba vako vakazoisa mari Deli."

Vakadaro ndichibva ndasekerera ndikati ,


"vakaita havo basa" ndakadaro zvikanz ,
"gogo vaya vanzi havasati vawana musikana
webasa, ndakatovaudza kuti kune ari kuno
mari yacho vati vanotumira mangwana"

Ndakatadza kuziva kuti ndofara here kana


kuti ndotsamwa ndakabva ndafara neche
mumoyo mangu zvese nekakutya.
Ndakanga ndatozvipira hangu kuti ndiende
kubasa kwacho. Zvizhinji ndaizozviona
mberi ikoko kana ndambobva pamba hangu.
"Ndekupi kuna gogo vacho."

Ndaida kuziva kuti ndekupi chaiko ndakanga


ndisisina kutogarisika mupfungwa dzangu
kuri kufarira kuzoenda kubasa ,
ndaisarigona hangu basa racho asi
ndainodzidza ikoko sekutaura kwamai
tafara.

"Ku Harare , Deli umboziva kuti ndinokuda


here ndinokuona semwana wangu moyo
wangu unorwadza ndichikuona wakadai asi
chekuita handina"

Vakadaro ndichibva ndatosuwa pachiso


changu , ndichiri kuenda kuchikoro
ndaidarika nepamba pavo vachindipa
mbuwa yekuenda nayo kuchikoro sezvo
kumba ndaibva ari maoko chete kubva
zvakafa Mai vangu , vana Melissa ndivo
vaienda kuchikoro vakazadza ma lunchbox
avo , Mai ava vane rudo havo ndaitona rudo
rwamai vangu pavari.

"Zvizhinji ndichazotaura newe zuva


rauchaenda handiti"

Ndakabva ndagutsururira musoro


ndichibvumirana navo ndikati

"Ko kumba ndinozobvako sei cz mhamha


havadi kundiona ndichingobva pamba kana
ndisingaendi kuhuni".

Ndakadaro ndichida kuti vandiudzirewo


zvekuzoita zvikanzi

"Hazvinetsi Deli , handi mangwana ndipo


pauchauya kuvata pano ,kumazuva rodoka
unoita seuri kuenda kuhuni wobva wauya
kuno sezvo gogo vari kukuda Harare
kuswera mangwana."
Ndakabva ndanzwisisa hapana chainetsa
hacho. Ndakazoti vandipe hembe ndaida
kusarudza dzandinoda. Vakandipa bag
racho ndikanhonga nhonga dzandaida uye
dzaionekerawo.

"Hembe wotosiya pano chibag çhekuisira


hembe dzako ndichakutarisira zvizere
mumba umo."

Vakadaro ndikavatenda kasingaperi ,


handina kuda kuzogarisa ndakabva
ndatovaoneka ndikaenda kuhuni.
Ndakateza dzakakora ndikadzokera kumba.

Zvekuda kubatsirwa nemukomana uya


ndakabva ndatozvirasira kure sezvo
ndakanga ndatoona basa , Asi hana yangu
yaitomborova chaiko nekuda kuenda
kubasa kwandanga ndoda kuita ,
ndaingotya kuti gogo vacho vakaita moyo
sewa mhamha ndaizogarisana navo
zvakanaka here ndizvo zvandaingotya
izvozvo.

Ndakasvika kumba ndikawana Melissa


achitaura panhare yake achiita kusekenyeka
chaiko anenge aiudzwa mashoko
anonakidza cz nyemwerero yake yakanga
isina kumira zvakanaka, kusvika kumba
kwandakaita haana kana kukunzwa , nhare
yake yakabva yadzima achibva atura
zvimafemo.

Ndakaenda kuimba huru ndichida


kunotarisa mapent angu anoita kuenda
nawo kubasa. "Heyi uri kuda kuiteiko
imomo" akadaro Melissa kunga mumba
make , ndakapinda mu spare ndimo maiva
zvinhu zvamhamha vangu zvakasara
pakugowewa nhaka zvichinzi zviite zvangu.

Ndakaona three chete aiva ari nani mamwe


acho akanga anyanya kubvaruka
zvakanyanya , ndakatora aisaita acho
ndikanomapisa panze.

"Dzanyanya kah tsikidzi dzacho sakei


ndakapisa zvikorobho zvako."

Akadaro Melissa ndikatadza kuziva kuti


kungwarisa here kana kuti idzungu here
raiva pana Melissa nekuti kumwe kurasa
mukanwa kwacho anozokunyanya.

"Hanzi uzoenda kuchigayo namhamha"

Akadaro Melissa ndikanzwa makumbo angu


kuguka guka ndafunga nhambo yaivapo
kusvika kuchigayo kwacho.

Ndakanogeza kungozvidira dira ndikapedza


ndikatakura saga ndokuenda kuchigayo
mari yacho yaivapo pamusoro pesaga racho.
Saga racho rairema chaiko raitoda ndine
mumwe munhu wekuchinjana naye
kutakura kwacho , ndakazosvikako musoro
wangu wanyura mutsipa uchirwadza.
Ndakagairwa zvakanaka ndichibva
ndatodzokera kumba.

Ndakusvika kumba ndakashamisika


ndichiona mhamha vachipopota vachikanda
kanda maoko avo vakamisidzana na
Melissa , ndakafambisa ndichida kunzwa
nyaya yacho kuti imbori yei. Ndakanzwa
kuti

"Number dzako dzaitsvagei mufoni yababa


Taku hee , ndiri kutaura newe Melissa"

Ndakanzwa izvi ndichangopinda


muchivanze ndikaenda kunotsveta saga
rangu mumba ndikagara panze ndichiterera
hangu nyaya dzevaviri ava , zvikanzi na
Melissa
"Mhamha , ko imimi maitsvagei kuna baba
taku vacho hamuna murume here imi"

Ndakabata muromo wangu ndichinzwa


Melissa achiita kugwabvura Mai vake akaita
kubudisa ziso kuti dhee.

"Iwe Melissa ungandiudza zvekurorwa


kwangu mwana andakabudisa neuku une
shuwa here? Usiyane nemurume iyeye
wanzwa , vakomana vezera rako vezere
uko , chawakanatsa kuda padhara guru
iroro chii? Ndikuone uchitaura naye
unondiona ndatopedza newe".

Vakapopotedzana Mai nemwana , murume


aitaurwa ndakafunga kuti zvimwe ndiye
andakaona aina Mai vake kwaingovawo
kufunga kwangu.

"Iwe Shupikai vesa moto uko nxaa"


Yowee vakadaro vachindiridzira tsamwa
kuita sekuti ndini ndava tsamwisa ,
ndakaenda kunotora huni kubakwa Melissa
akanditevera zvikanzi

"Ita zvekukasira iwe toda kudya isu tine


nzara"

Kutoita kundishushira kani kupedzera


shungu dzake pandiri aitopenga chaiko
ndikati

"Dzikama handisini ndati number dzako


dzionekwe mufoni mababa tak......"

Ndakabata muromo wangu ndatoona kuti


zvandataura hazviiti ,kwanga kwakuda
kutodenha kah ipapa zvikanzi

"Wakuda kufarisa nxaa kasoro kakazara


mvura"
Pane kuti nditsamwe ndakabva ndatoseka
zvangu ndichienda nehuni mumba.
Ndakavesa moto mhamha vachibva vazouya
kubika. Ndakagarawo mu kitchen imomo
ndichida kuona kuti sadza handipiwi here.

Vana Melissa vakauyawo kugara mumba


vachiita nyaya namai vavo , vakanga
vakutosekererana kuita sevanhu vasina
kumbotukana.

Mhamha vakapedza kubika sadza


rikapakurwa ndakavhura maziso chaiko
ndichida kuona kuti hapana zvavanoisa here.

Vakapakura zvakanaka ndikatoona ndiro


yangu iripowo ,takapiwa mandiro edu
ndikadya sadza ndikapedza kaitova zvako
kasipede ndakazadzikisa nemvura ndikaguta.
Vana mhamha vakaenda kuimba huru
ndikasara ndichitora machira angu
ndikawaridza mumba.ndakambogara
ndichidziya moto ndikazopfugama
ndikanamata ndichibva ndazorara.

*End of chapter*

*Love you all guys *

[27/08, 17:48] +27 62 114 1536: Follow this


link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Kiyu3VI1xwp2A
RMEa54pIK
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*
#0621141536

*Chapter 7*

*SHUPIKAI*

Kutorota hangu ndatove Harare


ndichishanda basa , ndakanzwa kudirwa
mvura ndiri pakati pekurota ndikamuka
ndichijamba cz mvura yacho yaitonhora
zvisingaiti.

"Asi chiiko newe Melissa"

Ndakadaro pandakanga ndakwakuka


ndikanomira ku door , hembe dzangu
dzakatanga kudonha mvura uku
ndichitonhorwa nechando chichipinda
muganda. Ndakatarisa panze ndikaona
kwatochena zuva ratobuda , ndaiva
ndararisa ndichitorota hope dzechando.

"Unorarisa sewakapedza nhamo sei? Inguva


yekumuka here ino? Ndidane mhamha
izvozvi".

"Please Melissa usadaro"

Ndakadaro ndichitomhanya kunhonga


zvimachira zvangu ndikanozviisa panze
zvichidonha mvura. Kurarisa kwandaiva
ndaita kwaiva kwekutsvaga kuda kurohwa
chaiko. Idzo hope dzacho dzaitoita kutapira
kwaedza kudaro.

"Mhamha ,, mhamha imi"

Akadaro Melissa uya achidaidza mhamha


ndakanzwa kubhoikana chaiko, ndaitoti
ndopedza kuita basa vakacharara kudaro.
Mona anenge aitova nane hutsinye hwacho
pana Melissa.

Ndakatora matsvairo ndokutanga kutsvaira


chivanze chaisava hacho netsvina
yakawanda , ndakanzwa mhamha vachiti

"Watiiko Melissa?"

Vakadaro vachitoratidza kuti vari kubva


mukurara cz vaitozamura vachisimudza
maoko mudenga.
"Honai benzi renyu iri riri kutomuka izvozvi
henyu"

Ndakanga ndakutonzi benzi paya ende


aifarisa Melissa aionererwa namai vake ,
ndakaenderera mberi nekutsvaira
ndichichekerera mhamha nekaziso ndichida
kuona kuti havasi kuuya kwandiri here ,
vakati

"Nhasi ndinoda kuona masvinga five ehuni


pano ndiyo punishment yako. Melissa ita
zvekubika ndidye ndione kubuda."

"Mumba macho makasviba umu , Shupi


ngakorobhe ndibike.

Akadaro Melissa, mhamha vakabva vaenda


ku bedroom kwavo, ndakapedza kutsvaira
ndikanobudisa mandiro ndikamaisa panze
ndikatanga ndakorobha mumba kuti
Melissa abike makachena. Ndakatanga
kubudisa mamvura andakanga ndadirwa na
Melissa ndikamatsvairira panze
ndikazokorobha.

Ndakapedza kukorobha ndikaita zvekusuka


mandiro ndikapedza ndokuzvigarira hangu
pamushanha ndichiomesa hembe dzangu.
Ndaisava nedze kuchinja sezvo dzakanga
dzakapiswa dzese.

Ndakagara kudaro ndakabva ndafunga kuti


mangwana ndiri kuenda kubasa ndika
smiler hangu ndega. Hameno vana Melissa
vaizosara vachiitirwa basa nani ivo
vaiyemedzwa kudaro namai vavo,
vaizondidemba chete zvese nekundifunga.

Melissa akapedza kubika mhamha vakadya


vachibva vatobuda vakachena chena havo ,
vakanga vasingachagari pasi vakanga
vakungonzerereka vodzoka manheru.
Kuhuni kwavakanga vati ndizoenda
ndaisada kuenda ini nekuti ndaiziva kuti
nhasi handivati pamba , pasina nguva Mona
akabva abuda ndokuendawo kwake
ndikasara neiyeyu wepa muromo.

"Waiona here washen iri mumba umo inoda


kuwachwa."

"Nani?" I said akati

"Obvious neweka"

Aisatoziva hake kuti nhasi ndiri mumwe


munhu vaisara vachizviwachira vega ,
ndakapinda mu kitchen ndikavhura mapoto
akanga abikirwa ndikaona musina chinhu
atodirwa mvura.

Ndakafunga kubikawo ini ndikaisa chi poto


che rice pamoto , kutozviuraya nenzara
chikafu chizere mumba. Mvura yaka boiler
ndikaisa half cup ye rice , Melissa akapinda
mumba ndichitodira mupoto.

"Shupikai , ndian akupa mvumo yekuti


ubike"

"Iwe kah udzidze kuvhara gaba rako iroro ,


handisi mwana wepano here unondibvunza
izvozvo"

Dai vari mhamha vakanga vandibvunza


izvozvo zvaitombonzika . Ndingatemeswa
musoro nemwana akafananawo neni
zvinoita here izvozvo.

"Ndabvunza nekuti ndiko kutanga kukuona


uchibika zvausina kupiwa"

Akadaro Melissa ndikat

"Handi madya mukaguta koini ndadya


here?"
Hezvo anoda kuzivisa nhema kuita
seanoshanda nekutenga chikafu chacho.
Baba vangu vari kutadza kurara
vachishandira ini kuti ndidye asi chikafu
chacho ndotadza kuchidya futi.

"Uchaona zvako handi mhamha vari


kudzoka here"she said achitorevesa kani.

"Chero vakadzoka hazvina basa , chero


kuhuni kwavati ndiende handisi kuenda ,
washen yako wotoona kuti wawacha here."

Ndakadaro ndichikuchidzira huni pamoto


ndikaenda kunogara pasi , Melissa akatanga
kuseka achirovanidza maoko achibva abata
muchiuno make akati

"Heedee Shupikai , wakuda kuzoenda


kumakuva manje nekufarisa kwako ikoku ,
wakatanga rini iwe kudai so"
"Kana uchiti ndakuda kuzoenda kumakuva
uri kurevei?".

Aitondishamisa nezvaaitaura achidura hake


zvavanenge vachindirongera namai vavo ,
Mwari kana vachida ndife nenzira iyoyo
ndinongofa hapana marambiro asi kana
isiriyo nzira yangu yekufa hazvife zvakaitika.

"Pawakapotswa pakakwana this time


tinokucherera iwe , bata ruoko rwangu
urwu ndinopika nababa vangu vatakaisa
pachuru."

Ndakamurova mbama achiresva kutaura


kudaro mwana mudiki asinganyari kutaura
zvisina basa , Akada kundidzorera mbama
ndikamukwapaidza imwe mbama yakaita
azomira kure neni. Uyu mwana anenge
aitoroya chete cz kutaura kwake kwaitotyisa
chaiko , ndakatoona kuti ndikasiya baba
vangu vachiuya kuno vanogona kuurawa
nevaroyi ivava.

"Baba vako ivavo vamakaisa pachuru


uchavademba rimwe zuva" , kutaura kwake
zvaitoita senge ndivo vakauraya baba vacho.

"Kudemba chii chacho nxaa zvimatako


zvinenge zveshiri"

Akadaro atotsamwa aita kufutisa matama ,


muromo wakanga wareba kuita wakondo.

"Waita basa munin'ina"

Haana kudavira achibva aenda kuimba huru


ndikanotarisa poto yangu ndikaona rice
yatoibva ndikapakura ndikadya isina chinhu.
Zuva parakanga rakurereka ndakaenda
paguva ramai vangu ndikanopfugama
ndikati

" *Mhamha , nyama yenyu ndiyo


yakazorora asi mweya wenyu hauna
kuzorora ndinoti ndirwireiwo uye mufambe
neni kwandiri kuda kuenda zvinhu zvangu
zvifambewo zvakanaka*"

Ndakataura zvandaida ndikabvapo


ndikaenda kuimba huru ndikatora mapent
angu ndokuisa mu paper bag , ndakapinda
muroom munorara vana Melissa ndikaona
akarara ndakabva ndatobuda ndikaenda
kwamai tafara ndaisada kuonekwa naye.

Zuva rakanga ratogara makomo ndikasvika


Mai tafara vakatozvigarira havo
ndikasweresana navo , nguva yekuti vabike
yakakwana vakaita zvekubika vakapedza
tikadya ndikanzwa kuguta.
"Rega ndiise chibage pamoto chekuti
mangwana ufambe uchidya"

Vakadaro vachibva vaisa pamoto , takaita


hedu nyaya tichimenya nzungu dzavo dze
dovi.

"Handina zvakawanda zvandingakuudza


Delly , ndinongoti unoitawo munhu kwaye
ikoko uri munhu wenherera usaita zvisina
basa handiti , mukomana harambidzwi
kuitwa sezvo wakura hako asi wotochenjera
nekuti unopiwa nhumbu ukazodzungaira
nayo iwe uri nherera kudai akuna
anozokutarisa kana kukuda."

Vakadaro ndikabvumirana navo , kukura


kwangu kwese hakuna aindiraira kuti
ndizive zvakanaka nezvakaipa.
"Hapana zvaunoda kutaura nababa vako
here?"

Ndaida kuzovaudza zvekuti vasazouye


kumusha, zvekuti ndiri kuenda kubasa
ndaisada kuvaudza.

"Ndoda kuzotaura navo mangwana kana


kwachena".

Ndakadaro ndichibva ndavatsanangurira


zvese zvaitaura mhamha kuti vane size
yakakwana kuna baba vangu nezve chikafu
chakaiswa mushonga chikazodyiwa
neimbwa ikafa.vakati

"Inga zvakaoma , amai vako vari kukurwira


ingadai wakatodya chikafu ichocho asi
woitawo uchinamata handiti".
Vakadaro ndikagutsurira musoro wangu
vachibva varongedza hembe dzangu muchi
bag chaiva chakatonakawo.

"Bhutsu hauna handi"

Vakadaro ndikati

"Ehe"

Ndakadaro vachibva vaenda ku bedroom


kwavo vakadzoka vakabata ma pair maviri
ebhutsu vakati

"Edza tione dzaunokwana"

Ndakaedza dzaiva dze red ndikatadza


kudzikwana ndikaedza futi dze black
ndikadzikwana.vakati

"Wotopfeka idzodzo mangwana"


Ndakavatenda veduwe ndian aizondiitira
zvese izvi , chibage chakaibva tikaenda
kunorara , hope dzacho dzakanonoka
kundibata ndikazorara machongwe
akukukuridza.

Ndakazomutswa namai tafara ndikamuka


vakandipa sipo ndikaenda kunogeza ,
ndakapedza kugeza ndikanzwa kufurwa
nemhepo tsvina yacho yakanga yanyanya.
Ndakapiwa mafuta ndikazora ndikapfeka
hembe ndikaonekerawo zviri nane.

Ndakapiwa paper bag ndikanzi ndiise


chibage ndikaisa vakaisa mvura mubhotoro
ndikaseka zvikanzi

"Uri kutoseka hako ukapedza kudya


wotomwa mvura dumbu rotozara."

Vakadaro ndikaseka ndichiisa chibhotoro


chemvura mubepa raiva nechibage ,
takabva tabuda kuenda kunomirira bus
ndikati

"Chindipai foni yenyu nditaure nababa"

Vakandipa , ndaisada kutaura navo husiku


huya sezvo ndaisada kuti vandibvunze kuti
sei ndiri kwamai tafara husiku ihoho.
Ndakafona ende havana kunonoka kudavira.

Hello"

"Hello baba ndi Delly"

Urisei dangwe rangu"

"Ndinofara baba kurisei ikoko"

Kunotamba mwanangu chisuwo chete


weekend ndinogona kuuya".
Ndakabva ndapererwa ndokuramba
ndakanyarara ndichishaiwa kuti ndovaudza
sei kuti vasauye , ndakatarisa Mai tafara
vachibva vandizevezera munzeve dzangu,

_ita kuti zuro ndakaenda ku church


kukabatwa kuti pane mweya uri mumusha
medu uri kuda kukuurayai saka zvakanzi
mombomira kuuya kumusha._

Vakadaro Mai tafara ndikaona kuti


zvinonyepeka izvi.

Hello Delly uripo here?"

"Ndiripo baba network iri kunzvenga"

Ndakabva ndatovaudza zvaiva zvandiudza


Mai tafara havana kuita nharo vakabva
vanzwisisa , ndakabva ndafara nekunzwisisa
kwavo ndaisada kurasikirwa nababa vangu.
But usandityira hako Delly kuno
ndinoenda ku church hapana chinondiwana ,
asi foni ya mhamha vako haina mari kani"

"Haina baba byee ndozokufonerai futi."

Ndakakata foni ndaive ndisingadi


kubvunzwa zvakawanda , takasvika pa bus
ndokumirira hedu bus.

Takamira kusvika bus rauya mai tafara


vakabva vamhanya kunotaura na driver
ndikatevera mumashure mavo.

"Adhiraivha wee muchengetewo mwana


wangu uyu haasi kuziva kwaari kuenda"

Vakadaro Mai tafara zvechokwadi


ndaisakuziva ini. Driver vakati

"Icho chimoko chakura kudai here?"


Akadaro driver uya achibva apiwa mari
yacho ne number dzagogo vacho vaiuya
kuzondigarira.

"Musatya amai kana ainei harasiki , pinda


hako babe"

Akadaro driver uya ndikanzwa kunyara


nekunditi babe kwaakanga aita ,
ndakaonekana namai tafara vachibva
vaenda ndikapinda mu bus ndikagara pa
window ndichida kuona zviri panze.

Bus rakasimuka rikarohwa zvakanyanya


driver wacho aitsika zvake magiya kwete
zvekutamba. Hana yangu haina kana
kumborova kuti ndakuenda kubasa,
ndaitoita senge ndiri kuenda kumunhu
wandinoziva. Ndakaisa ka bag kangu
pamakumbo angu ndikatanga kudya
chibage.
Mai vandakanga ndakagara navo
vakandikumbira ndikavapawo vakadya ,
chainaka zvacho chibage ichocho chaiva
chisati chanyanya kukora. Ndakapedza
kudya ndikanwa mvura.

Ndaitaura nyaya namai vaya vaitotaurisa


havo , ndakabatwa nehope ndokurara
ndikazomutswa zvichinzi tasvika.

Ndakatombodzungaira semunhu akanga


amborara ndikazodzuruka driver
akandinongedzera gogo vacho vaive vauya
kunditora , vanenge vaitaura vese pafoni.
Vakanditambira tikakwazisana vakati tiende
kunokwira combi.

"Fambisa tione zimhandara"

Vakadaro ndaitofamba zvishoma sezvo


tsoka dzangu dzakanga dzabatwa
nechiveve , chakazopera ndikafambisa
tikakwira mota tikaenda.

Gogo havana zvavakataura neni zvizhinji


nofunga taizotaura kana tasvika kumba
kwavo , vaiva gogo vechikuru asi vaitooneka
kuti nyama dzavo dzichakasimba.

Takasvika ndokudzika tikaenda pamba pavo


paiva padhuze ne road paivagara pacho.
Imba yacho yakanga isina kukura yaivawo
diki uye yakanaka hayo. Takapinda mumba
gogo vakatora chi bag changu vakanotsveta
ini ndakanga ndatogara pasi chaipo asi
masofa aivamo.ndakayeverwa ndakatarisa
mumba umu maive makarongeka zvamo.

"Simuka ipapo ugare apa unopindwa


nechando"

Ndakasimuka ndikagara pasofa pacho


vakatanga kundibvunza kuti
"Unonzaniko zimhandara" said gogo ndikati

"Deliverance"

Ndakadaro vachibva varamba vakanditarisa


sevanondifananidza , vakatora nguva
vakanyarara vachibva vazoti

"Uri mwana waani?"

Handina kuziva kuti neyi vaida kuziva


vabereki vangu , ndikati

"Wa Esther Chuma"

Ndakataura zita ramai vangu ndikaona vaita


kuvhura maziso avo pamwe nekushama
muromo , ndaive ndakutovhiringika
hameno gogo ava kuti vakanga vandiziva
here.
"Deri!!!"

Vakadaro gogo vaya vachiita sevanokanuka


vachibva vandimbundira ini ndakanga
ndatova confused. Vakandiregedza ndikada
kuvafananidza asi handina kuziva chiso
chavo chaitova chitsva zvacho.
Kamudaidziro kavakaita zita rangu
ndakamboda kuseka.

*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:48] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/CyDcA71MNZp
APP2PnlFqjG

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*
#0621141536

*Chapter 8*

*KIMBERLY*

"Kimbie , kuona kwako Rea anokuda here?"


Said mom ndikati
"Andisati ndazviona mhamha".i said vakati

"Kana uchiona kuti hakude better usiyane


naye utsvage anokuda"said mom ndikati

"Anenge anondida uyo achiri kunyara chete


mhamha , zvisiirei kwandiri mhamha ndini
ndichaziva zvandinoita." I said ndichiseka
hangu.

"Hoo , ita hako asi kwete kuzotichemera


pamberi apo , mai vacho vanokuda hako
but hazvibatsiri kana iye wacho asingakudi".
Mom vaitondityira zvavo ndaizozvigadzirisa
izvo.

"Mhamha kani hapasati kana patova ne two


days tabvumirana namai vacho kuti ndizova
muroora wavo , regai ambofunga haadi
kumhanyirwa."
Ndakadaro mhamha vachibva varova
maoko avo vachienda , Rea ndaimuda ini
nemoyo wese ndaiita kumunzwira shuga
but iye wacho hatombondicheuke.
Ndakamuda kubva zvatakangozivana
ndikambodanana ne friend yake asi
ndaisamuda ini zvaingova zvekudai dai
kudanana kwacho.

Rea akangondida chete ndinoda kutoti


azokasire kundirora nditoita muroora
wamai vake , Mai vacho havagoni neni
vanoita kundirwarira kuti ndive muroora
wavo , Pamba pavo ndinoendapo chero
nguva yandada.Baba vacho havanei nazvo
uye havazvitsvagi nekuda kwekukura
kwavaita.

Mai Rea vakangondifarira kubva kare sakei


vakazoti ndidanane na Rea , vakazvironga
namai vangu , neni ndaivapowo na Rea
wacho asi musi wacho Rea akaratidza
kuzvisada.

Ndaishaiwa kuti ndoita zvekudini kuti


andide Rea wacho , mukomana wangu
ndaiva naye asi ndakanga
ndisingachanyanyi kumuda nekuda kwa Rea
uyu. Ndaida kuti Rea akangobvuma
kudanana neni ndotomuramba ndoita
nezva Rea chete.

Ndainge ndisingadi kuti baba vangu vazive


kuti ndizvoripo cz ndaigona kuzofa
nekurohwa chaiko nekuti havadi zvisina
basa , Dai vaiziva kuti ndakambobvisa
nhumbu kare ndaiurawa ini , nhumbu iyoyo
yaiva ya Dudu friend ya Rea , Mazuva acho
ndakanga ndichaenda kuchikoro
ndikamborwara zvakanyanya ndikapotsa
ndafa ndabvisa mimba iyoyo.
Dudu aiyida nhumbu yake achibva
atondirambira izvozvo ndikatosiyana naye
handina kumbomunyengerera ini. Ndipo
pandakazotsvaga mumwe mukomana ende
anondida mukomana iyeye asi ndakuita
ndichisamuda zvishoma nezvishoma.

Nditori musikana akanakawo uye akareba


ndakasimbawo zviri nane , hameno Rea
handioniwo neyi ini ndakanaka kudaro ,
ndaizotsvaga zvekuti Rea andide cz
ndinomuda zvekurevesa.

*SHUPIKAI aka DELLY*


"Mwana wemwana wangu , Deri muzukuru
ndiwe hako , hope dzandarota madeko
dzabva dzadudzira."

Vakadaro gogo ndokuramba ndakavatarisa


nditori mukuvhiringika chaiko , handina
kuziva kuti mwana wavo wacho ndian
ndichibva ndati.

"Ndarasika handina kuziva gogo"

Vakabva vandimbundira futi vachioneka


kuti mufaro wavo wakanyanyisa , ndainge
ndamirira kuti vanatse kunditsanangurira
zvakanaka nekuti ndaitove murima.

"Ndini gogo vako Deri , Mai va mhamha


vako haungatadzi kusandiziva sezvo
wakaguma kundiona kare uchitori mudiki ,
Uye ini ndisati ndakura sezvandaita izvi.
Said gogo.

Ndakavambundira ndichifara veduwe , Inga


Mwari vakanaka kundisanganisa nagogo
vangu ndaigaro chema chema kuti dai
ndaiziva kuna gogo Mai va mhamha
ndaiendako asi nhasi ndasangana navo.

Ndakava nemufaro wakawandisa , Mwari


vakanga vandigonera ini.

"Gogo!!"

Ndakadaro ndichivambundira futi


tikazoregedzana.

"Ndini muzukuru ukabva wafanana namai


vako kudaro dai kusiri kufanana namai vako
kwawaita kudai ndaigona kusakuziva".
Vakadaro gogo vachingooneka kufara
pachiso chavo , vakasimuka vakaenda
ndokudzoka vakabata ndiro yaiva nema
biscuits ne drink vakandipa ndikauchira
maoko ndikazogashira.

"Wasiya varisei vamwe kumusha" vakadaro


gogo ndikati

"Vanofara gogo , saka munogara nani


pano?" Vakati

"Na Sam chigumisirwa changu uchamuona


hako manheru ari kubasa izvozvi dzimwe
nguva haauyi ndinenge ndiri ndega
pano."vakadaro ndikati

"Ko sekuru?"

Ndakadaro ndichitsengera zvimabhizvo


ndichimwa nezvi drink zvacho , vakati
"Sekuru vako vakafa kare muzukuru , ko
muviri wako uyu kuzara mavara aya chii?"

Ndakanzwa kurwadziwa kuti sekuru vakafa ,


gogo vakandibata ruoko rwangu vachinatsa
kutarisa mavanga ekurohwa kwandakaitwa
kuya , ndakavaudza kuti ndakarohwa
vachibva vati.

"Saka Tino ndizvo zvaairambira newe kuti


ugare uchirohwa kudai , ndakabvira kare
kumuti andipe mwana ndigare naye asi aiti
ndinoda kugara nemwana wangu saka
ndezvipi izvi mwana achichinja ganda kuita
shato kudai ibenzi remunhu."

Vakadaro gogo vachitukurira baba ende


vakaratidza kubhowekana nazvo ,
ndaisaziva ini kuti gogo vaitogaro chemera
kugara neni , ndakavashoora baba vangu
kungoti kutambura kwese kwandaiita
vaisazviona.
"Asi wakamborwara kani?" Said gogo
ndikati

"Handina gogo". ndakadaro zvikanz

"Ganda rako iri rinotaura rega"

Ndakavaudza kuti hakusi kurwara


ndikavatsanangurira mararamiro andaiita
vakaratidza kunyangadzwa chaiko.

"Vagona Mai vako vakutungamidza kuti


uuye kuno ndakazvirota ini asi ndakangoti
zvimwe dzingori hope"

Vakadaro gogo , saka kureva kuti Mai vangu


vaitouyawo kuhope kwagogo ndaiti zvimwe
ndini ndega ndinovarota , panyaya
yekushanda ndaisaziva kuti ndozotsvaga
kumwe here kana kuti ndogara ,
ndaizoonawo zvekuita nekufamba
kwenguva. Ndakapedza kudya ndikatenda
gogo vakati

"Hande ndinokuratidza mekugezera kana


wapedza kugeza tobika sadza remanheru."

Vakanondiratidza mekugezera macho zvese


zvaivamo ndakabva ndatogeza ndikapedza
ndikapfeka hembe dzandaingova nadzo.

Gogo vakandiratidza muroom mangu maive


nechi bed chidiki chinorara munhu one
nechi wadrope chekuisa hembe.

Ndakapiwa mafuta ndikazora gogo vakauya


vakati , "bvudzi iro unoda kuridii mangwana
uchaenda nakule vako kunogerwa"

Bvudzi rangu ndairida rakanga risina


kunyanya haro kukura , "ndinorida gogo
ndinoda kuzorukwa".
"Hoo unofarira zvekurukwa ndaiti kukura
kudaro kushaya anogera , chikama
rinakewo."

Ndakarikama asi rairwadza chaiko


ndikapedza tikaenda kunobika nagogo
vachindidzidzisa mabikiro nekushandisa
magetsi.

"Takapedza kubika pamba pachibva pasvika


mumwe mukomana aidana gogo kuti
"mhamha" ndakabva ndatoziva kuti ndiye
mwana wavo wavambotaura nezvake.
Takamhoresana gogo vakati

"Sam , muzaya wako uyu"

Vakadaro gogo , tikabva tagara pasi , Sam


wacho akaramba akanditarisa akati

"Mwana wa Esther-ka uyu mhamha".


Akadaro gogo vakaseka hameno ndainge
ndakaita mafananirei namai vangu.

"Waziva sei?" Vakadaro gogo akati

"Akafanana namai vake uyu , hesi kani


muzaya wangu".

Ndakadavira ndichisekerera dai mai vangu


varipo ndichionawo kufanana kwacho
kwandakaita navo.

"Zvawatokura nhai muzaya , unonzani zviya


ndakashoiwa."

Vakadaro kule , gogo vachibva vati

"Ndi Deri"

Kule vakaseka chero neniwo ndakabva


ndaseka , kamudaniro kagogo kuita sevane
mavende ivo vaine mazino ese.
"Imi mhamha kani Deri kudii kwacho daira
hako muzaya wangu."

Vakadaro kule vachiseka gogo vachibva


vasekawo vakati

"Rinonetsa kudana zita racho munoda


ndizvirume here?"said gogo ndikati

"Deliverance"zvikanzi

"Good muzaya , gogo vako ava vanoda


kutoshatisa zita rako."

Takataura nyaya tichiseka ndichinzwa kuti


pano pane mufaro wakawandisa , gogo
vakazopakura sadza tikadya zvakanaka
ndikaguta chaiko ende gogo vakanga
vandiwanzira sadza racho vakati ndipedze
rese ndikashingirira kuripedza.
Nguva yekurara yakakwana ndikaenda
kunovata gogo nakule vakaendawo kuma
room avo. Ndine zvizhinji zvandaida
kuzotaura nagogo kana kwachena.
Ndakakwira pabed ndikanzwa
uchitepfenyera ndainge ndajaira kurara
parupasa runogogodera.

Ndakanga ndatizawo nhamo yekumusha


kwandaiswera ndichirohwa nekupopoterwa.

Ndakatadza kuziva kuti ndonamata here


kana kuti ndorega nekuda kwe mufaro
wandaiva nawo. Ndakapfugama
ndokunamata ndichibva ndarara. Ndakarara
mufaro uri kugotsi kana hope hadzina
kunonoka kundibata ndichibva ndatokotsira.

Ndarara kudaro ndakatanga kurota


mhamha vangu vaine mufaro pachiso chavo
uye vachinyemwerera chaizvo but pamberi
pavo paive nechi cross chaivapo ndichibva
ndapepuka ndikaona kusati kwaedza.

Ndakamuka ndikagara ndikazembera


mudhuri ndikatanga kuzvibvunza kuti saka
Mai vangu vaimbofarirei sezvo ndaisivarota
vachibudisa misodzi.

Ndakasiyana nadzo hope dzacho


ndikadzokera kurara. Ndakazopepuka
ndikaona kwaedza asi kwakanga
kuchakasviba ndaida kutomuka kuita basa
asi ndaisaziva kuti ndoita sei ndakabva
ndadzokera kurara ndaida kuti gogo
vamuke vagondiratidza maitirwe azvo.

Ndakazonzwa gogo vamuka vakandiratidza


pekusukira mandiro ndikasuka
vakandidzidzisa futi kushandisa moppy
ndikatogadzira mumba mukachena.
Takabika tea nechingwa chaiva nedovi
tikadya , kule vakangoti kupedza kudya
ndokuenda kubasa kwavo ndikasara nagogo.

"Deri , huya pano mwanangu wee"

Ndakaenda muroom mandaidanwa nagogo


ndikaona mune zvinhu zvakawanda vakati

"Ndodawo undibatsire kutakura zvinhu


zvangu kuendesa pachimusika chiri paroad
apo".vakadaro gogo ndikati

"Munoita zvekutengesa gogo" ndakadaro


vakati

"Eya muzukuru kuswera ndakarara


kunorwadza nyama dzangu saka ndinenge
ndichivaraidza hangu ndiripo pachimusika
changu".
Vakadaro gogo tikasimudza zvinhu zvacho
tichiendesa kumusika kwacho , zvaiva
zvakawanda uye zvakasiyana
siyana.takapedza kutakura vakati

"Kana uchida kumborara unoenda hako


wozouya kana hope dzapera" ndikati

"Handina hope ini gogo regai ndinosuka


mandiro ndikapedza ndinouya kutandara
nemi pano".

Pachisimuka pavo paive pakatonaka , paiva


nechi shade chaitonhorera. Ndakaenda
kunosuka mandiro ndikapedza ndikanogeza
ndikachinja hembe.

Ndakadzokera kuna gogo ndikasvika paine


vanhu vaitotenga. Ndakagara zvenguva
yakakura vanhu vachiuya kutenga
ndakatoona kuti zviri kufamba chaizvo.
"Sara pano Deri ndimbonotora zvima cents
zvangu zvandauya nazvo zvapera"

"Ehoyi gogo"

Gogo vakaenda ndikasara ndichivarairwa


nevanhu vaimberereka nemota dzaingoti
mvemveee Ndakarivara kudaro ndakabva
ndaona mota yakauya kumira pamusika.

Handina kuziva kuti muridzi wemota uyu


aida kutenga here apa ini ndaisaziva ma
price ezvinhu , ndakatarisa kumba ndikaona
gogo vasati vakuuya apa mota iya
yakangoramba yakamira. Pasina nguva
ndakaona window richidzikiswa sezvo
rakanga rakavharwa ndisingaoni zviri
mukati. Pandakaona munhu aiva mumota
iyi ndakabva ndarohwa nehana
ndichiona.........
*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:48] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/CyDcA71MNZp
APP2PnlFqjG

*POOR SHUPIKAI*
*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*Chapter 10*
*SHUPIKAI aka DELLY*

Kuenda kwakaita mukadzi uye gogo


vakabva vati , "kushanda akuna kuipa
muzukuru handi kuuya kuno kwawakaita
waida kushanda" ndikati "ehe gogo." Vakati

"Murume we mukadzi uyu handimuoni


zvakanaka , anenge ane kaziso ziso" ndikati
"kaziso ziso kei zvee" vakati "kuda vakadzi
nevasikana iwo mazera enyu aya".
Vakadaro gogo ndikatadza kuziva kuti saka
ndodini ndorega here kana kuti ndoshanda.
Ndikati "saka ndodini gogo ndanga ndaitira
kuti ndivaraidze hangu ndichishanda pane
kuswera ndakagara" vakati "hazvina kuipa
mwanangu asi akangoita zvisina basa pa
muzukuru wangu ooh na Mwari kudai
ndinomucheka ipapo pacho."

Ndakamboda kudzora chisetswa changu asi


ndakabva ndaseka zvekutoda kuumburuka
pasi chaipo , gogo vainge vandinakidza ini
vaizomucheka akamira paiko murume
wacho iyeye. Vaitonakirwa zvavo nekutaura.

"Haa gogo munonakirwa" vakabva vaseka ,


takabva tadya chikafu chemanheru
tikapedza. Moyo wangu waida ndizofonera
Mai tafara ndivaudze kuti ndakasangana
nagogo vangu. Dai vasivo ndisina kuonana
nagogo.

"Gogo , mangwana muzondipawo foni


yenyu ndigofonera mukadzi akaita ndiuye
kuno" ndakadaro vakati "uzotora wofona ,
number dzacho dzinenge dzitorimo imomo".

Vakadaro gogo tikatandara tichitaura nyaya


zvakazoita kuti ndivabvunze kuti "nhai gogo ,
zvinoreveiko kurota mama vangu
vachindiratidza muchinjikwa" ndakabvunza
cz ndaitoda kuziva, ndaisaziva zvadzinoreva
ini hope dzacho vakati

"Vari kukuti namata" vakadaro gogo ndikati


"ko pandaimbovarota vachichema" vakati
"dzaiva shungu handi vaiona kutambura
kwese kwawaiita here." Vakadaro gogo.
Saka mama vaiva neshungu nhai ndaingoti
zvimwe kungouyawo kuhope kwangu
vachichema.

Zvakabva zvanatsa kududzira kuti dzaiva


shungu zvechokwadi nekuti ndakazovarota
vachifara. Ndakazoparadzana na gogo
ndikaenda kunorara.
Ndakamuka kuseni ndikaita basa sezvo
ndakanga ndakuziva , ndakapedza basa rese
gogo vasati vamuka , vakazomuka
ndatogara hangu pasofa vakati
"unotonhorerweiko nechando" ndikati
"ndazvijaira izvi gogo" vakati "aah iwe
zvawaiita kumusha ndizvo zvaunoda
kundiitira pano unomuka kwati dziyewo
zvishoma."

Zvekurarisa izvo ndainge ndisingachazvigoni


ndaive ndatojaira kumukira sezvandaiita
kumusha. Ndakatora fon yagogo
ndikafonera Mai tafara , havana kunonoka
kudavira ndikabva ndati

"Hello , mai tafara ndi Delly"

Aah Delly ndaive ndonetseka kuti


wakasvika zvakanaka here?" Said Mai tafara
ndikati
"Ndakasvika zvakanaka, ndigogo vangu
vaida munhu webasa." Vakati

zvinobongwa kana wakasangana nehama


yako , nezuro ndakadarika kudhuze
nekumba kwako ndikanzwa iri mhere
mhere kutukana"

Vakadaro Mai tafara ndikafunga kuti


zvimwe mai nevana zvakunetsana ndikati

"Vanga vajaira kuti dhongi ravo riripo


rinoita basa pamwe kunetsana nenyaya
yekushanda , ko baba havana kuuya
kumusha here?" Ndakadaro ndichibvunza
vakati

Havana , ndanzwa kufara kuti una gogo


ikoko" ndikati
"Ndizvo chaizvo ndinotenda imi makaita
ndisangane navo. Moswera zvakanaka Mai
tafara."

Zvakanaka Delly"

Ndakabva ndakata foni. Mama vaindibata


semhuka asi nhasi uno vakunetsana nevana
vavo asi ndivo vakavajaidza zvisina basa.
Hameno zvavo vachanakirana ikoko ini
zvangu zvaringana kuno. Handina nguva
yekutukwa handina nguva yekurohwa.

"Chiita uyende kwamai vaya , huya


ndikuratidze pamba pavo hakusi kure"
vakadaro gogo tikabuda panze
vakandiratidza pamba pavo paitova pa next
nepa gogo.

"Ndapaona chiregai ndiende ndigodzoka


ndichidya." Ndakabva ndabuda ndokuenda
kumba kwavo. Ndakasvika ndika knocker pa
door sezvo raiva rakavharwa. Vakavhura
door vakati "ndiwe suu pinda hako".
Vakadaro ndichibva ndapinda vakati ndigare
pasofa ndikaita sekudaro.

Vakamboita zvavaiita vakapedza vakauya


kugara neni vakati , "yeah , basa riri pano
harina kuwanda hako , kungo cleaner
mumba , ne kuwacha hembe kana washen
iripo zviya , ndizvo zvega zviri pano hapana
vana vari kumusha , pamari ndinenge
ndichikupa $15 pa week rega rega pane
chakashata here?"

Vakadaro ndikaona pasina chakashata hapo.


Zvaiva nane pane kuti ndiswere ndakagara.
"Hapana chakashata" ndakadaro vakati
"waita basa , kana uchida kudya unobika
hako chikafu chinenge chiripo uye kana
wapedza basa unoenda zvako kumba
wosiya wakiya door ndichakuratidza
pekuisa ma key , tese tinoenda kubasa
nemurume wangu todzoka manheru."

Ndakatenderana navo Mai ava


vakandiratidza pekuzoisa ma key acho
vakati ndozotanga kushanda kuswera
mangwana. Ndakadzokera kumba
ndikaudza gogo zvavainge vataura.
Ndakabika tea tikadya tikapedza ndokutora
zvinhu zvedu tikaendesa kumusika.

Takatengesa zvinhu zvichitengwa chaiko.


Zuva rakavira tikarongedza ndokuenda
zvedu kumba. Ndakabika tikadya zvedu
sadza remanheru tikabva tarara.

Ndakamuka kuseni ndikageza ndokuchinja


hembe. Ndakasuka mandiro ndika cleaner
mumba ndikapedza. Gogo vakazomuka
ndapedza.

"Mamuka here gogo"


"Ndamuka muzukuru , watodya here ndiri
kuona kunga wakuda kutoenda" vakadaro
gogo ndikati

"Handina ndinodzoka ndichidya" ndakadaro


vakati

"Zvakanaka"

Ndakabva ndabuda ndikaenda kumba


kwamai vaya, door re pamba pavo
ndakaona rakashama ndikaziva kuti
vachiripo. Ndaka knocker ndikadavirwa
neizwi rechirume.

Ndakapinda ndikaona mune murume


aimwa tea nechingwa ndakabva ndaziva
kuti murume wavo.

"Makadii henyu" ndakadaro ndichityora


muzura.
"Ndiri right ndiwe uri kuda kushanda pano"
akadaro baba vaya ndikati

"Ehe ndini , ko mhamha varipo here?"


Ndakadaro , ndaifana kuratidzawo hunhu
sakei ndakati mhamha.

"Vatoenda kubasa vanga vandiudza havo


kuti pane musikana achauya ndakuda
kutobudawo kuenda , ko uri kupiwa marii?"

Vakadaro baba vaya , hameno vainge vasina


kuudziwa here nemukadzi wavo.

"$15 pa week rega rega" i said


ndakutotsvaga panogara moppy kuti ndi
cleane mumba.

"Hayiiti ishoma inotenga chii?"


Aah baba ava ndakashaya kuti vaida
kuzama kudii kana iri shoma handi ndiyo
yandaiva ndakatenderana nemudzimai
wavo.

"Ndiyo yandakatenderana namhamha"


zvikanz

"Ndichakuwedzera , ndakuenda kubasa"

Vakadaro vachibuda kutoenda. Kana vachiti


vachandiwedzera vairevei chaizvo , mari
yandaive ndakatenderana nemukadzi wavo
ndiyo yandaida kwete iyo inoitwa zvekunzi
ndichakuwedzera ndaisaida hangu.

Ndakaita basa rangu ndikapedza raiva risina


kumbowanda haro handina kana kutora
nguva. Ndakakiya door ravo ndikaisa ma key
pandaive ndakaudzwa ndikadzokera kumba.
*REA*

Ndakaona pa door pachipinda kimbi


ndikanzwa kusvotwa chaiko. Zvivindi
zvekuti apinde mumba mangu ameno aive
azviwanepi. Ndakaramba ndakamutarisa
achifamba achiita seano modela hake zvese
nekuzvida.

Aitozvinetsa hake mwana wevanhu. Uyu


mwana akanga akuda kundipa mubhurugwa
mangu chaimo. Anoona kumunyararira
kwandinomuita otoona sendinozvifarira.
Akamira pamberi pangu achibva ati

"Ndokumbirawo kutaura newe Rea" said


kimbi achimonya miromo yake hameno
kudada here.
"Nyaya yei?" Ndakabvunza achibva ati

"Asi haundidi kani?" Ndikati

"Yeah , saka wanga watii?"ndakadaro


achibva ati

"Inga ndinokuda wani , ndinoshooreka here


ini , inga zvese ndinazvo wani."

Akadaro achibata mikaka yake achiita


seanoikwiridzira mudenga , achibva
atendeuka kutarisa ku door chivakashure
chake chiri kwandiri achibva aita
kakukotamira ndokuzunza magaro ake.
Veduwe mwana aiva nemiyedzo uyu.

Aifunga achiti ndingadyira naizvozvo here.


Ndakafuratira ndikatarisa pa window
ndichitopererwa chaiko. Ndakadzungudza
musoro wangu ndichishaya kuti ndomuita
seiko mwana uyu.

Handina kuziva kuti ndomurova here kana


kuti ndorega. Nehasha dzacho handina kana
kudzinzwa anditozive neyi. Dai
dzakandibata ndaigona kuka pwanya-
pwanya.

"Ndezvako zvese izvi my love" said kimbi


paaive atarisa kwandaiva.

Kutaura ndaigona kupedza nguva yangu


ndokunyarara ndikanovhura door
ndikamupa sign yekuti abude. Ndaisada
zvinonetsa cz kutaura ndinenge
ndichitopedza voice rangu. Akabuda
ndikasara ndichirovera door racho.

Ndaive ndabva ku church zvakanaka iye


otoda kundiisa pamuyedzo. Chero zuva
rikanzi rakubuda nekumavirira kimbi andife
ndakamuda ini.

Kutoita kundiratidza hunhu hwake pamberi


pangu achiita zvisina basa. Nxaa ndakanzwa
kubhoikana chaiko seiko zvichidai kwandiri.
Ndakanyanyotadzeiko ini.

Azvitoshamisi kuti zvimwe mama ndivo


vaive vati kimbi auye ku room kwangu. Ava
mai ava , ndaitombozvibvunza kuti ndi
mama vangu here nyakunditumbura.

Ndakaenda downstairs ndikawana dad


namom vakagara vachiita nyaya. Ndakava
mhoresa ndikagarawo pangu ndega
ndichibaya foni yangu.

Ndakaita nguva ndakagara ndisina


chandataura navo ndichingobaya foni
ndikazoti , "mama zvamuri kuita handizvidi
hangu" ndaida vasiye katsika kavo kekuunza
kimbi ku room kwangu . Ko akasvika
ndakashama angatondiita murume kah.

"Rea , kana una vamwe mai vaunoziva kuti


ndivo mai vako ita zvaunoda"
ndakapererwa , ndoitawo zvandisingadi
here veduwe kuti ndifadze mai vangu.

Chekuita ndanga ndisina ini ndakafunga


kuvaudza hunhu hwa kimbi zvimwe
vangandinzwisisa. "Mama , kimbi wenyu
haite uyo ,munoziva akabvisa nhumbu
ngani here munhu iyeye wamuri kuti
ndiroore."

Ndakadaro vachibva vati "utaure


kwawaswera wanzwa , usada kusvibisa zita
remwana , saka unoda ndichimuone
semunhu akaipa manje nekuda
kwemanyepo ako iwawo."
Aah imiwe ndakaita sendichachema
ndikabva ndanyarara. Mudhara vaive
vakangonyarara vachikwenya ndebvu dzavo.
Havana kana chavakada kudaira. Mama
vainge vatoita kutsvukisa maziso avo.

Ndakafunga kuda kumbobva pamba apa


sezvo zvaive zvakundibhowa. Ndaive
neimba yangu ini ndiko kwandaive
ndafunga kuenda asi ndakafunga kuti
ndikatiza nyaya yacho hazvibatsiri sezvo
ndinenge ndisina kupedza nyaya dzangu.

"Dad , ndinokumbirawo kumbotaura nemi


pedu tega" ndakadaro vakati "okay"
takabva tabuda panze tikanomira pamota
yangu.

"Dad , sei muchinyarara mama


vachindimanikidza kuita zvandisingadi." Dad
vakati
"Waida nditi chii mwanangu , inga mai vako
unovaziva wani kuti ndichandakwinyira
chavataura havadzoki shure." Said dad
ndikati

"Saka muri kuda kuti ndiite zvavari kuda


here?" Vakati

"Kwete Rea , ukatevedzera zvamai vako


unogona kuzochema nazvo izvo , ita
zvinenge zviri pamoyo wako." Said dad
ndikati

"Please dad zamaiwo kutaura namhamha"


ndakadaro vakati

"Ndichaedzawo nepandinogona napo"


kwaiva kungotaurawo havo dad asi ndaiziva
kuti hapana chavanotaura nekuda
kwekukura kwavaita pfungwa dzavo
dzinomboita sedze mwana mudiki.
Zvino ndaive ndisisina zano ini , ivo mama
vakanga vandiudza zvinondirwadza kuti
kana ndina vamwe mai vasiri ivo ndiite
zvandinoda zvacho. Musoro wangu
wakanga wakurwadza chaiko. Dad
vakadzokera mumba ndikasara
ndakangomira panze ndichinetsekana
nepfungwa dzangu. Nguva iyi ndakafunga
hanzvadzi yangu kuti indibatsirewo ataure
namhamha kuti vanzwisisewo vabvume
zvandinoda.

Zvino kwaiva kwakaroorwa hanzvadzi yangu


kwaiva kure aigona kutoti ndakawandirwa
nebasa handiuyiko. Ndakabva ndasiyana
nazvo , ndaizozvipedza ndega.

Kana mai vangu vachida kundiramwa


vaizondiramwa havo ndaita zvandinoda.
Ndakapinda mumota ndoku driver
ndakananga ku town kunotenga zvinhu zva
Delly. Handina kutora nguva ndaive
ndasvika ndikadzuruka ndokupinda mushop
yehembe. Ndakatenga zvandaionawo kuti
anokwana uye zvinogona kumuitira.

Ndakanhonga nhongawo dzakati wandei


ndikadzibhadhara. Nguva yandakanga
ndakubuda mushop iyi ndakabva ndati
dhuma-dhuma na........

*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:48] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/KchaZ5vpTV9G
5bkE7tyGVf

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*
#0621141536

*Chapter 9*

*SHUPIKAI aka DELLY*

Ndakaona ari mukomana uya


andakamboona kumusha pandaida
kuzvisungirira. Aiva akandiudza zita rake asi
ndaive ndatorikanganwa.
Ndakaramba ndakamutarisa achibva abuda
mumota yake. Ziso rangu harina kana kubva
paari handizive kuti ndaivarairwa neyi
chaizvo.

Nguva yaakabuda mumota yake akabva


afamba kuuya kwandaiva. Hameno akanga
andiona seiko mukomana uyu. Ndakaona
achinyemwerera achibudisa mazino ake
ndikaona paine rakabeduka zvishoma riri
neche pamberi apa.

Zvaakanga akapfeka zvacho zvaive


zvakanaka ndakaona senge aibva ku church
nekuti trouse racho raiva nemupono
waitocheka nhunzi chaiko. Mhino dzangu
dzakabva dzarohwa ne perfume
ndikaramba ndakamisa mhino dzangu
mudenga kuri kunakidzwa ne perfume iyi.

"Heyi girl"
Akadaro mukomana uya akamira pamberi
pangu , handina chandakataura
ndokuramba ndakamutarisa , Veduwe kune
vanhu vakanaka kana mazogara.
Ndakanzwa miromo yangu kunga yaoma
ndokutanga kuinanzvira ndakamutarisa.
Andina kana kuratidza kumutya
sezvandakaita pandakatanga kumuona.

Chandisina kuziva ndeche kuti mukomana


uyu aigarawo mu Harare imomu here kana
kuti kune kumwe kwaaitoendawo hake.

"Delly , uri kuyeverwa neyi , ndiri kutaura


newe ende ndafara nekukuona."

Ndakavhunduka , ndaitoita senge ndiri


kuona firimu ndakamutarisa kudaro.
Ndakabva ndanyara cz kamutarisiro
kandaive ndakamuita kakanga kasina
kunaka , koiye akambonakirei kudaro
runako rwake rwakaita ndiyeverwe naye.

"Uh..uhm.. sorry mukoma pfungwa dziri


kure".

Ndakadaro ndichitarisa side achibva ati "uri


right here Delly" he said ndikati "ndinofara
ini" ndakadaro ndokutsikitsira kutarisa pasi
akati "nditarise Delly" Akadaro pandaive
ndatsikitsira ndatoinzwa kunyara chaiko ,
ndakazvishingisa ndikamutarisa ndikaona
achingonyemwerera achibudisa iko kazino
kake kakabeduka.

"Good girl , wakauya rini kuno" akadaro


ndikati "kuswera zuro" ndakadaro akati
"wave right here? Ndaive worried nemasiiro
andakakuita aya." Andina chandakadaira
akanga akuda kundirangaridza zvandaisada
kuti zvidzoke mupfungwa dzangu. Akatanga
kundiongorora nofunga aitarisa maronda
aya kuti akapora here.

"Sorry kana ndaresva kubvunza , unogara


papi" akadaro pandaive ndanyarara
ndakanga ndakuda kuti achienda handina
kuziva kuti akanga achiri kudei.

"Apo" ndakadaro ndichinongedza pamba


ndikati , "ndokumbirawo muchienda henyu"
ndakadaro achibva aseka. Hameno kuti
chaive chanakidza kuti chii chaizvo.
Akaramba achindibvunza zvakawanda
ndaive ndisingachadaviri ini kudzimara
aenda , ndaive ndotya kuti gogo vanosvika
aripo ndikavhurumuswa hangu. Nguva
yaakati akuenda akabva ati
ndichazodzoka ,kupi kwacho kwaaida
kuzodzoka uye kuzoitei , ndakadaro neche
mumoyo mangu.
Kuenda kwakaita akaita kuti ndirambe
ndakayeva mota yake kusvika
ndisingachaioni. "Uri kutarisei?" Vakadaro
gogo vachisvika ndakanga ndisina kuona
kusvika kwavo , Apa ndakanga ndaita
zvekusimukira kutarisa mota yemukomana
uya , ndakakanganwa futi kubvunza zita
rake apa iye hana kukanganwa rangu.

"Pane musikana adonha apo ndiye andanga


ndichitarisa" ndakadaro ndichigara pasi
zvikanzi , "hoo hapana auya kutenga here?"
Ndikati "hapana apa vanenge
vatonyumwawo kuti munhu aripo hazivi ma
price" vakabva vaseka vachibudisa zvima
cents zvavo vachibva vati ndiverenge kuti
mangani. Ndakapedza kuverenga
ndikavadzorera.

Ndakagara kudaro ndaitoita sendiri kuona


mukomana uya akamira pamberi pangu.
Veduwe ndaitoona zvangu ndega ini
ndokutanga kusekerera ndega.

"Iwe Deri wa benzi here?" Vakadaro gogo


ndikavhunduka ndikati "ndaita seiko gogo?"
Ndakadaro vachibva vanditarisa vakati
"chinguri wabvira kunyemwerera wega
ipapo chii? Asi pane ambosvika pano"
vakadaro gogo ndikati "hapana gogo
kutongonakirwa hangu".

Gogo vakabva vanyarara asi ndakatoona


kuti havana kugutsikana nezvandaive
ndataura. Ndakanga ndoitawo sebenzi
chandainyemwerera ndega chacho
ndakachishaiwa. Ndakasiya kufunga zvisina
basa ndokutaura nyaya nagogo
vachindiudza ma price ezvinhu kuitira
pandinenge ndambosara ndega paya
ndisazonetseke , vakati
"Vakomana avo uri kuvaona here?"
Vakadaro gogo vachinongedza kwaiva
nevakomana vacho , vaiva two vakomana
ivavo vakamira pamota. Ndikati "eh ndiri
kuvaona" ndakadaro vakati "ndikuone
wakamira navo" ndikati "ehoyi gogo."

Andina kuziva kuti gogo vanga vazviitirei ,


pane pandaizodawo nyaya navo ini
ndisingavazivi here. Vakati "yeah ,
zvaunovaona kudaro vamitisa vana vazhinji
ndati ndikuyambire sezvo vanodisa
tusikana." Ndikati "ndinomudii hangu
mukomana nezvandiri zvino gogo".

Vakanyemwerera zvandisina kunzwisisa


vakati "hauna here iwe?" Ndikati "chii?"
Zvikanz "iye mukomana kah" said gogo
ndikati "handina gogo" vakabva vatarisa
kwandaiva tichibva tatarisana vakati ,
"gudhu gero , hazvimhanyirwi wanzwa ,
handisi kuti usazoitaba unozotsvagawo
wako anenge achikuda anoda zvekuvaka
musha kwete kumitisa uye vemakirasi ava
ugare wasiyana navo nekuti vanonetsa."

Ndakasekerera ndikagutsurira musoro


wangu inga mbuya huru inoraira chaiko,
gogo vaitaura vachitambisa nemusoro
nemaoko.

Zuva rakavira tikarongedza zvinhu zvedu


ndokuenda kumba. Ndakabika sadza
nehove apa ndaisaziva kuti dzinobikwa sei.
Ndakangobikawo zvandaigona ndikapedza
tikadya.

Kule musi uyu havana kuuya , takatandara


nagogo pachibva pasvika mumwe mukadzi.
Takamhoresana naye anenge aitozivana
nagogo ndakaona kuseka kwavaiita vose.
Akambotaura dzimwe nyaya nagogo
achibva azoti "mwana wenyu here uyu?"
"Muzukuru wangu uyu akauya nezuro"
vakadaro gogo , mukadzi uya akati "hoo ,
ndaikumbirawo muzukuru wenyu azosara
achindiitirawo basa ndichienda kubasa
kwangu". Akadaro gogo vakati "Hapana
chakashata kusaziva iye wacho kuti anoda
here?".

Zvekushanda ndizvo zvandaitoda pane


kuswera ndakagara ndikati "ndinoda" akati
"Hapana hapo basa rakawanda unozouya
kumba kwangu mangwana totaura" ndikati
"zvakanaka".

Mukadzi uya akabva aenda gogo vakasara


vachitaura zvakazondirovesa nehana.
Ndaive ndototya kuti ndishande pamba
pamai ava.
*REA*

Ndakasvika kumba mama vakada


kundibvunza zvakawanda ndikaenda
kuroom kwangu. Ndaiva ndaneta neku
driver paivawo neka distance kubva
kumusha kwatete.

Ndakarara pabed hope dzikatondinyangira


ndikabva ndarara. Ndakazopepuka ne knock
yandakanzwa pa door ndikamuka kuvhura
door ndikaona ari maid anga auya nefood.

Ndakamuti atsvete pachi table achibva


aenda ndikasara ndichidya. Aiva
atondigonera sezvo ndaisada kuenda
downstairs kuna mama ndaiziva kuti
vanondibvunza zvakawanda wanda ndizvo
zvandaisada.
Ndakadya ndikapedza maid akauya kutora
ma plate ndikasara ndichirara zvangu.
Pfungwa dzangu dzakabva dzafunga Delly
andakanga ndaona kumusha. Ndainzwa
kurwadziwa ndikafunga zvaaiva zvacho.
Mwari vanotambudzireiko vana vavo , kuti
nditi ane vabereki ndakazviramba ini. Kana
aine vabereki vangamusiya achida
kuzviuraya here? Muviri wake wakandiudza
kuti pane zvakanga aitwa chete.

Ndakazongobatirwa nehope ndikarara.


Kwakachena ndikanogeza ndaida
kutombofamba famba hangu zvekuswera
pamba zvaindibhohwa.

Ndakapedza ndokupfeka hembe dzangu


ndikaenda ku sitting room kwandakasvika
kuna mama.
"Mamuka sei mama?" Ndakadaro vakati
"ndamuka zviri nane unoda kuenda kupiko
wakabata ma key emota" ndikati
"kumbowaya-waya hangu."

"Gara apa timbotaura" ndakagara paside


navo ndikatanga kutambisa ma key angu
vakati "Rea , unoda kuzomuonepi musikana
akaita sa Kimberly" moziva ndakanzwa
kusvotwa mama vachidaro. Ndaizviziva kuti
hapana imwe nyaya yavari kuda kutaura
kunze kweya kimbi.

"Mama , dai maiziva kuti nyaya iyoyo


inondibhowa maisaramba muchitaura
nezva kimbi." Ndakadaro zvikanz
"usandiudza kuti unoda kundiunzira
mumwe pano asiri kimbi". Ava mama
ndaitotadza kuziva kuti ndimai rudzii
chaizvo vanondiudzira zvekuita.
"Handidi kutaura nemi zvakashata mama ,
handina musikana andichada ini better
ndigare ndisina mukadzi , ndimi makaita
kuti Annah andirambe imi ,
chamakamudzingira pano chii mama ipapo
makandirwadzisa."

"Iweee Rea ziva kuti uri kutaura namama


vako wanzwa , Annah wako uyoyo akanga
asingaiti kah"

Veduwe ndakanzwa hasha ini , dai zvisiri


zvekuti ndimai vangu kah ndaigona
kuvarova ini , vanondiudza zvekuti akanga
asingaiti kuita sekuti ndivo vaida kuzopinda
naye mujira.

"Saka kimbi wenyu ndiye anoita right? I said


ndakutotadza kugarisika nehasha dzakanga
dzandibata. "Eh ndiye andinoda pano"
handifungi kuti mama vaiva nedzaka kwana ,
hameno vaimufarira pachiiko kimbi wacho.
"Hoo , ini handimudi mama asi kana
muchida kuti aite nyachide wenyu hapana
chakaipa."

Ndakadaro ndichisimuka kubuda panze ,


vakasara vachiti Rea ,Rea ini ndaenda kare ,
Mama vaida kundibhohwa mhani ndivo
vakaita ndisiyane nemusikana wangu
wandaida vakuda kunditsvagira matsvina
iwaya.

Ndakamutsa mota yangu ndikaenda kumba


kwa Dudu , ndakanga ndafunga
kumboswerako hangu zvekuswera pamba
ndaigona kuzotomarana namai vangu.
Vanoita senge vane musoro unodziya,
hameno mudhara vakanga vaendepi.

Ndakasvika kumba kwa Dudu ndikabvunza


maid wake akati arimo ndichibva ndapinda
mumba. Ndakananga ku room kwake
ndikawana akarara. "Heyi Dudu" ndakadaro
ndichimumutsa achibva amuka. "Aah Rea
ndeipi".

Akadaro achigara achibva azembera


madziro ndikati "bho mbichana" zvikanz
"hindava?" Ndikati "pfungwa dzangu hadzisi
kutora mushe shaa"

Ndakadaro ndichirova rova huma yangu


zvikanz "nekuti hanzii? Ndakabva
ndamuudza nyaya yacho achibva atanga
kuseka , ndakanga ndakambomuudza hangu
nyaya yacho zvikanz "mudhara , ingoroora
mwana zvipere" ndikati "unopenga here
Dudu?" Ah inini kuroora kimbi asi ndinenge
ndava chirema kani kwete ndine makumbo
maviri nepfungwa dzinoshanda hazvifi
zvakaitika.

"But bho babe paya" akadaro Dudu ndikati


"bho chiiko iwe , unoda ndiroore munhu
wawakasvisvina kare ukapedza , unoda
nditore masesengwa ako manje?" Akaseka
zvekutobuda musodzi. ini apana
chaindinakidza zvapo nekuti pfungwa yake
yaitova yekutsigirana na mama vangu.

"Ko zvine basa here mudhara" he said


achipwipwinyika hake , aitova zvake
nenguva yekuseka ini ndaisava nayo. "Kana
usina zvekundibatsira nazvo Dudu better
unyarare hako , iwewe unonatsoziva kuti
handimudi asi uri kundiudza zvisina basa."

Ndaive ndatochinja aida nditore kahure


kake kaakapedza kare , hazvitoshamisi kuti
kana aine nyota anoenda kwakari.
"Matotsamwa here mudhara ndiri kutamba
ini , asi kwava nechimwe chi babe kani"
akadaro ndikati "handichadi zvema babe
sezvaunoziva inga unozviziva wani kuti
ndakasiiwa nemunhu wandaidisa , dzimwe
nguva ndinogona kutombomufunga
ndozotofunga kuti akaroorwa."
Ndakadaro neka voice kekurwadziwa ,
mwana iyeye ndaimuda mhani , Mama
vakandikanyira zvinhu zvangu ndaive
ndoronga zvekuda kumuroora zvikabva
zvaenda musango. Nezera rangu rakanga
rakudawo mukadzi asi nekuda kwekusiiwa
na Annah ndakabva ndatombozvisiya
zvekuroora zvacho.

"Saka uri kufungei?" Said Dudu ndikati


"handina kana zano shaa , nyaya ya kimbi iri
kunditemesa musoro." Akati "ko kungoita
zvinoda muchembere wako" ndakabuda
mumba make ndisina chandataura , akada
kundidana asi andina kudaira ndokuramba
ndichienda kusvika ndabuda gate
ndikapinda mumota yangu ndikadzokera
kumba.

Dai akanga asingadi kundiudza zvekuita


better akanyarara pane kundiudza
zvinobhowa. Ndaitotadza kuziva kuti ndiye
Dudu here andinoziva nekuda
kwekundinyengera zvisina basa. Ndiri
muroad kuenda kumba ndakabva ndafunga
hangu kuzodzokera kumusha kunopa Delly
zvinhu zvekuti abatsirikane nazvo.

Zuva rekuenda ku church rakasvika


ndikaenda ndega. Musi uyu mama havana
kuda kuenda. Kakuita ka mama ndaitotadza
kuziva kuti munhu anonamata here.

Ndakasvika ku church tikanamata


zvakanaka ende kwaivhurwa ma verse
aindibata bata pamoyo pangu. Nguva
yekuvhara church yakakwana tikanamata
ndokuvhara church.

Ndakapinda mumota yangu ndokudzokera


kumba. Ndaifamba ndichi driver zvishoma
shoma ndaisada kukasira kusvika kumba.
Ndakasvika pamwe pamusika
ndikamhanyisa maziso angu ndikaona
mumwe musikana andakafananidza na
Delly ndikabva ndatomisa mota. Ndakaona
ariye moyo wangu uchibva wafara asi
andina kuziva kuti akanga akauya rini.

Ndakataura naye akaratidza kundirangarira


ndaitoti zvimwe andikanganwa.
Ndakazobvako akuita senge asingachadi
kutaura neni ndichibva ndaenda hangu.

Maronda andakaona ainawo that day


akanga atopora , zvakabva zvaita nyore kuti
ndongotenga zvinhu zvake ndomupa
ndaitozeza rwendo rwacho rwe kumusha
sezvo kure.

Paitaura Delly aibva abuda dimples ake


zvaindinakidza kuzoti akasekerera nofunga
anobva anyanya kubuda,handisati
ndambomuona achisekerera anenge
akangorova serious.
Ndakasvika kumba ndikananga kuroom
kwangu zvemashoko namai vangu
ndaisazvida hangu , ndakazvikandira pabed
ndikazorora ndakarara hangu.

Pasina nguva ndakanzwa knock padoor


ndikaramba ndakanyarara cz ndaitofunga
kuti ndi mama , ndaisada kunetswa ini
nenyaya dza kimbi wavo , vanoita senge
vakadyiswawo naye nekuti kumufarira
kwacho vanozokunyanya.

Door rakavhurwa ndikamuka


ndichitoshamisika kuti sei vachipinda
ndisina kuvati vapinde , ndakazoshamisika
ndichiona..............
*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:48] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Kiyu3VI1xwp2A
RMEa54pIK

*POOR SHUPIKAI*
*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*Chapter 11*
*REA*

Takasanganidzana maziso edu na Annah


uyo aive akaita kundidzvokora pamwe
nekukanuka. Tarisiro yekuti ndingasangana
naye ndaive ndisina. Ndakatoita
kakuvhunduka ndichimuona apa aive
akatungamidza kadumbu mberi kuratidza
kuti ane nhumbu.

Akafamba kuuya kwandaive ini ndaive


ndatoramba ndakamira panhu pamwe
ndakangomutarisa. Akasvikoti

"Rea!!" Said Annah neka voice


kekushungurudzika. Aive aita kupera
kutochinja chaiko pamwe yaiva nhumbu
zvayo yaimuonza.

"Annah , urisei". Ndakadaro ndichimutarisa


aitokungurisa hake.

"I'm not okay Rea sezvauri kuona ,


haundibvinziwo here kuti kuonda chii?"

Akadaro akanatsa kunditarisa mumaziso ,


ndaive ndotofunga rudo rwaaimbondipa
pamazuva acho.

"Ndichibvunza chii nhai iwe wava mukadzi


wemunhu".

Ndakadaro ndokumufuratira kuenda


kumota yangu , kusina kwandasvika akabva
andibata ruoko rwangu , ndaitonzwa
kurwadziwa ndikaramba ndakamutarisa
kudaro , kundiramba kwaive akaita zvaiva
zvisati zvabva mupfungwa dzangu. Ndaive
nebundu raive rakagara pamoyo pangu
chaipo.

"Please Rea , I know ndakaita


zvinokurwadza asi ndinokumbira
usandivengawo , ndakaita izvi nekuda
kwamai vako vaisandida." Said Annah akuita
senge akuda kuchema.

"Wakagona dea , ndizvo zvaive


zvakarongwa na Mwari."

Kubva zvakanga akarorwa ndainge ndisina


kana kumbomuona.

"Asi zvee ndiri kudemba Rea , ndaikuda


hako asi pfungwa dzangu ndidzo
dzakamhanya kuita zvisizvo." Akadaro
ndikati

"Yakatodeuka Annah wotoita zveimba yako


ndichawanawo anenge achindida uye
anoda kumira neni munhamo nemurugare ,
have a nice day dea."

I said ndakutofamba. Ndakafamba nhanho


shoma chete ndikacheuka kumashure
ndikaona akagumbatira maoko ake
achibudisa misodzi. Handina kuziva kuti chii
chaive chochemedza , moyo wangu
wakabva warwadza kumuona achichema.

Zvino hapana chandaikwanisa kuita ini cz


aive amukadzi wemunhu , ndiri kufamba
kudaro ndakabva ndadhonzewa bhachi
randaive ndakapfeka ndikacheuka ndikaona
vari gogo vechikuru.

"Muzukuru , wadarireiko kutambudza


mwana wevanhu , enda unotaura nemwana
zvakanaka iva nemoyo werudo muzukuru."

Ndakabva ndapusa. Gogo ava pamwe


vaitofunga kuti musikana wangu kana kuti
mukadzi wangu. Ndakada kushama
muromo kuti ndivaudze kuti haasi musikana
wangu vakabva vati

"Ndinozviziva muzukuru , chienda unotora


mwana tione."

Chero ndaida kuramba ndaiita


marambireiko ipapa. Ndakasimudza tsoka
dzangu ndokudzokera kwaiva na Annah uyo
aingobudisa misodzi yekurwadziwa.

Ndakasvika paaive ndikamubata ruoko


rwake ndikaenda naye kumota. Izvi zvaive
zvoda kuzondipinzisa pakaoma kuri kuti
ndaonekwa nemurume wake. Takapinda
mukati achingokwiridzira madzihwa. Ndikati

"Annah , chii chaita ucheme , ndakutuka


here?" Ndakadaro ndichimubvunza nekuti
chaiva chachemedza handina kuchiziva ini.
"No Rea , hupenyu hwandiri kurarama huri
kurwadza , murume wangu anoti akamwa
doro anondirova zvekuti ndakazvitakura
hazvitarisi , chikafu mumba hatengi
anotenga panonzwa kuda ndaisaziva kuti
ndizvo zvaari ende ndiri kufunga kumusiya
ini asi kwekuti ndiende kwacho ndiko
kwandisina , baba vakanditi ndisadzoka
kumba , dai zvaibvira waigona kundipawo
last chance Rea , l love you dea"

Moziva ndakapererwa Annah achitaura


zvisina basa kudaro. Zvekuti tidzokerane
ndizvo zvaisaita hazvo iye ava nedumbu
kudaro. Iye aimhanyirei kurorwa kana
akanga achiri kundida.

"Zvauri kutaura hazviiti Annah rega


ndikuperedze kumba kwako , andidi kuzoti
ndinetsane nemurume wako nezvinhu
zvisina basa wanzwa. Wotoshinga nekuti
marriage ndizvo zvairi."
Ndakamutsa mota yangu akandi director
kumba kwacho. Ndaisada kusvika kudhuze
nekumba kwake ndaimusiira kure ozofamba
netsoka. Nyaya yake yakandisiririsa chaiko.
Vamwe varume ungori mutemo wekuti
ndakaroora asi kuzochengeta mukadzi
zvakanaka haagoni.

Ndakasvika kudhuze nekumba kwacho


ndikati adzike achiyenda hake , akabuda
mumota achibva ati

"Thank you dea" akadaro achibva atanga


kufamba. Moyo wangu ukarwadza kuti
ongoenda pasina chandamupa here?
Ndakabva ndamudana achibva adzoka , face
yake yaisambova nemufaro kana kamwe.

Ndakabudisa $100 ndikamupa , aizoonawo


zvekuita nayo. Ganda rake rakandiratidza
kuti hana kana rugare , "waita basa Rea ,
chirega ndiende ndikasvikirwa ndisiri
pamba ndinorohwa."

"Okay Annah"

Akabva ayenda ndikasara ndakangotarisa


gotsi rake. Zveshuwa Annah wangu akanga
atoenda sekutamba sekuseka. Ndangariro
dzacho andizive kuti dzaizopera rini nekuti
dzimwe nguva ndinombofunga nezvake.

Ndakamutsa mota ndokuenda kumba ,


ndakasvika kumba mama vakada
kundibvunza bvunza zvisina basa
ndikanyarara kwakuenda kuroom kwangu.
Zvinhu zvandaiva ndatengera Delly
ndakangosiya zvirimo mumota.

Ndakada kutenga foni asi ndakatya kuti


zvikawandisa zvinhu zvacho anogona
kuzozviramba. Ndakarara pabed ndatoneta
zvangu.
Maid akauya nechikafu ndikadya. Paive
auya kutora ma plate akati

"Mama vati vanoda kukuonai" akadaro


ndikati "andisi munhu mukuru waunokudza
kudaro ingoti mama vati vanoda kukuona"
akabva asekerera akati

"Mama vati vanoda kukuona" ndikati

"Good , enda unovaudza kuti ndichakuonai


mangwana" ndakadaro akati

"Okay ndazvinzwa" akabva abuda ndikasara


ndikarara hangu , hope padzaive dzoda
kundibata ndakabva ndapfugama pasi
kunamata.

Ndakapedza kunamata ndikarara hangu.


Ndakamuka kuseni ndikageza ndikaenda
kunodya breakfast. Takadya tese na dad na
mama ini ndiri zii hangu ndaive ndaneta
nekuita kwa mama.

Nguva padzakange dzave kumasikati


ndakafunga kuenda kunooña Delly. Ndainge
ndisina zvekuita ini apa pamba pacho
paibhowa. Ndave kubuda mumba Mama
vakabva vati

"Uri kuendepi Rea." Vakadaro ndikati

"Ndichambobuda mama" ndakadaro vakati

"Ko zvandakataura hauna kuzvinzwa"


ndikati

"Ndiri kudzoka ndichikuonai mama"

Ndakadaro ndichibuda. Ndakatoona kuti


ndikaramba ndichitevedzera zvavanoda
ndini ndinenge ndatova benzi. Ndakamutsa
mota ndokuenda hangu. ndakasvika
pamusika pacho ndikawana pasina munhu.

Ndakatarisa pamba pavo ndikaona akuda


kutopinda mugate ndikabva ndaridza
hooter achibva amira. Ndakabuda mumota
kuti aone kuti ndini akaramba
akangonditarisa.

Ndakazoona akuuya apa aifamba


achicheuka cheuka. Ndakaramba
ndakamutarisa ndikaona zvandakaona paari.
Zvikomba zvake zvemumatama zvaiita
ndirambe ndakamuyeva. Problem aisada
kusekerera handizive neyi.

"Pinda Delly" ndakadaro ndichiti apinde


mumota achibva adzungudza musoro wake
kuri kuramba , "taurai zvamuri kuda
mukoma ndoda kuyenda" akadaro Delly
asiri kutogadzikana. Ameno sei airatidza
kakutya kana ainei , "please Delly pinda
mukati haugarisi unoenda hako."

Ndakamuvhurira achibva apinda , pfungwa


dzake ndaitoona kuti adzisi panzvimbo , "uri
right here?" Ndakabvunza akati "yeah
ndiribho" , mwana aiva nehusimbe
hwekutaura iyeyu pamwe aiva asati
andijaira hake.

"Muri kudei mukoma ndoda kuenda" said


Delly ndikati "sununguka kunditi Rea"
zvikanz "okay". Nguva yese yandaitaura
naye aive akangotarisa mberi kwe mota
kana kumbonditarisawo zvake.

"Delly!!" Ndakadaro akati "Hmmmh"


akadaro achivhundukira hameno aifungei
chaizvo sezvo aiva atovarairwa. "Nditarise"
akabva anditarisa ndikaramba
ndakamutarisawo achibva abvisa maziso
ake pandiri. Mwana aive akanaka uyu
mhani kungoti zvaive zvisati zvonatsa
kuoneka.

"You are so beautiful Delly"


ndakangokaruka ndadaro ini , ndakatoshaya
kuti zvaive zvabvepi , asi zvandakataura izvi
zvakaita ndionewo achi smiler ma dimples
ake achibva anatsa kubuda chaiko.

"Wazvinzwa here?'

Ndakadaro ndaida kunzwa zvaanodaira


akati "maita basa" heyi rukudzo rwacho
aizorunyanya ini ndaisazvida. "Okay Delly ,
ndauya nezvinhu zvako i hope unozvifarira"
pandakataura izvozvo akabva anditi nde-e
kunditarisa. Ndakatora chi bag chacho
ndikamupa asi hana kutambira
akangodzungudza musoro wake.

"Ndatengera iwe Delly" akati "maita basa


asi handikwanisi kuti nditore zvinhu zvenyu"
akadaro akutovhura door re mota richibva
raramba kuvhurika , ndaive nda locker
"ndivhurireiwo" akadaro ndikatadza kuziva
zvekuita ini , ndakamubata ruoko rwake
sezvo aive atondifuratira ndikati

"Delly , please ndakatenga zvinhu izvi


nemoyo wese ndinokumbirawo utore"
akati "kwete mukoma munoda ndizoti kuna
gogo ndazviwanepi" akadaro akutoda
kuchema , ndikati "usacheme inga hapana
zvandakuita wani , gogo unongovaudza
zviripo".

Ndakazama kumunyengerera asi


akarambisa chaiko , Delly aitova mumwe
munhu akasiyana nevamwe shuwa , zvino
hembe dzacho ndaizodziisepi , "hazvinetsi
Delly unozotaura nagogo vako wozondiudza
kuti vakati chii" akagutsurira musoro wake ,
ndaive ndaita chido asi munhu wacho
aitoda kushinga nekuti ndaive ndatoona
kuti habvumi zvese zvese.

"Ndoda kuenda mukoma" akadaro asiri


kumboda kunditarisa , ndakavhura door
racho achibva abuda ndikati "chindiitawo
kuti byee Rea" akambodaira here aitova
serious hake kana kumbocheuka.

Haya Delly hatode zvisina basa.


Ndakaramba ndakamutarisa kusvika apinde
mumba , ndakaita nguva ndakagara hangu
ndisina simba rekumutsa mota yangu ,
handizivi kuti ndaizoita zvekudii kuti Delly
abvume zvinhu zvandaive ndatenga.

*MELISSA*
Kunetsana kwandaive ndaita na Shupi
ndakabva ndaenda kunorara. Ndaisave
nehope asi kuti dzaiva hasha. Simba
rekurova ndaiva naro asi pana Shupi
ndaitoona senge ndisina simba racho.
Nekuonda kwakaive kakaita kaitoita senge
kachandijima chaiko.

Simba ra Shupi raitova muma bhonzo


chaimo , ndakaita kubitirirwa nehasha
ndichinzwa dama rangu
richiswinya.ndakapinda mumba
ndikazvambarara pabed ndisina zvekuita.

Hushingi hwa Shupi ndaitadza kuziva kuti


hwabvepi ini sezvo aisambozviita kubva
kare kose. Zvino zi dish re washen raiva
mumba ameno raizowachwa nani.

Ndakatora foni yangu ndokuita data on


mamsg akapinda. Message yandakatanga
kuverenga ndeya baba Taku , yaitova zvayo
yekuti asuwa kumbondikwenya. Ende
aifarisa chaiko aida kundichinjanisa namai
vangu kuti zvidii. Nxaa ndakaridza tsamwa
ndokutsveta fon yacho ndisina kupindura.

Hope dzakabva dzatondibata nguva iyoyo


ndikarara. Ndakazopepuka ndakunzwa
kupindwa nechando ndikamuka.
Ndakatarisa nguva ndikaona zuva ratovira
ndikaenda ku kitchen ndikaona musina kana
chaitwa.

Zvandaiva ndasiya makaita ndizvo


zvamaingova. Handina kuziva kuti Shupi
aive aendepiko. Kupererwa ndiko
kwandakaita ndakatarisa mumba umu
maiva netsvina inosemesa. Ndakadana
Shupi asi handina kana kuona huma yake.
Kuti aiva aendepiko Shupikai uyu
zvakandinetsa ini.
Pasina nguva mama vakasvika ndiri pakati
pekutsvaga Shupikai , chavakatanga kuita
ndechekutarisa masvinga ehuni aivanga
vasiya vataura. Saka Shupi aitorevesa nhai
paaiti haasi kuwacha hembe nekuenda
kuhuni.

Ndakaona Mama vachishatisa kumeso


vachiona pasina pabakwa rehuni.

"Melissa , aripiko Shupikai?" Said mom


nevoice rekugumbuka. Andina
chandakadavira ndokuramba ndakanyarara
hangu.

"Iwe Melissa haunzwi ndichikubvunza


here?" Ndikati

"Munobvunza ani ari kuziva pano" nxa vaive


voda kundibhowa mai ava , apa vanenge
vaitobva zvavo kuna baba taku ndaida
kuzozvivharisa izvo zvaipera hazvo manje
manje.

"Handi ndiwe waswera naye pano" said


mom ndikati "hezvo hafambi ari muhomwe
mangu kah" aah imi ndakadaro ini ,
vaibvunza ini ndini ndaizivawo kwaaenda
here. Havana chavakadaira ndokunyarara
vakaenda kuroom kwavo ,
chakazondibhowa kuita kundiridzira
tsamwa ine mutsindo.

Ndakasiyana navo ndikanotarisa zvinhu


zvinosienda na Shupi kuhuni ndikaona
zviripo , apa pamba paisava kana
nezvitsotso zvekubikisa sadza. Ameno kuti
mama vaizobikisa neyi.

Ndakaenda ku bedroom kwa mama


ndikaona vakatozvambarara havo pabed
apa ini ndainzwa nzara isingati.
"Asi nhasi hatidyi kani" ndakadaro
ndichibvunza mama vakati "endaka
unobika" ndikati "moda ndivese moto
nezvigunwe zvangu here.

"Iwe usada kundinetsa mhani wasiya Shupi


achienda kwatisingazivi waiti ndiani anoteza
huni dzacho" hezvo kutoita kundikwidzira
voice.

"Imi maive maendepi , kunokwenyewa


nababa taku hamunyari here Mama" I said
vakati

"Iweka , kana wakabuda neuku kwangu ibva


wanyarara zvako"

"Haa fokofu mhani uku kwei


kwamunondiudza muchirara ne boyfriend
yangu , mukadzi mukuru asinganyare , mirai
ndichikuudzai mama mukaramba
muchidanana nababa Taku kah ndiri
kuzoudza baba va Shupi kuti
makachekeresa mwana."

Vaida kundijairira nekuti hanzi ndimai vei


vacho kwandiri hakuna izvozvo , Mama
vakaita kundibudisira ziso semunhu
adzipwa nenyimo nxa hanya nani
ndaitoitawo zvekuti vasiyane nemunhu
wangu handi ivo vaiva vakaroorwa here.

"Melissa , uri mwana wangu here kana kuti


ndakachinjirwa mwana muchipatara"
vakadaro mama vachiita sevanopererwa ,
vaifunga vachiti ndiri kutamba kani
ndaitorevesa.

"Ndapedza nemi Mama ende mukasaita


zvandataura kah baba va Shupi munovaona
vati gidhiri kusvika pano."

Ndakadaro ndakutobuda mubedroom


mavo , ndakavasiya vashama muromo wavo.
Ndakapinda mumba ndokuzvikandira
pabed , chakanga chavapo ndeche kutorara
nenzara musi uyu.

Mangwana acho ndakamuka zuva rakwira


ndikaona Mama vapedza kubika
ndikapakura ndikadya hangu . Ndakati kuna
mama mamuka sei asi havana kudavira ,
vaipedza zvavo nguva yavo kutsamwira ini
ndaisa zvigaya ini.

"Uyende kunowacha washen na Mona ini


ndoda kuenda kuhuni" vakadaro mama
ndikati "ndinoda kubuda ini handi nezuro
makaswerawo musiri pano" ndaida
kunoona baba taku ndaive ndamusuwa.

"Unoda kuyendepi , hakuna kwaunoenda"


ndikati "kunoona baba taku" ndakadaro
ndichipedzisa kudya ndikarongedza ndiro
yacho vakati "iweka , iwe waita mutete
pazviri" vakadaro vachindinongedza
nechigunwe.

"Munoshamisa Mama Saka muri kutoda


kutoita chinamira pa boyfriend yangu"
vakati "uchademba chete iwe pamuromo
pako ipapo " ndikati "ooh asi mafunga kuda
kundiuraya sezvamakaita baba" ndakadaro
ndichibuda mumba. Nguva yandangobuda
pa door ndakangonzwa ndagarwa nechinhu
pagotsi pangu ndikabva ndadonha pasi
ndikatoti zii...

*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:48] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Ios8pJVRKQMH
lNt7dCSxKE

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*
#0621141536

*Chapter 12*

*SHUPIKAI aka DELLY*

Handina kuziva kuti Rea aitoda


kunditengera zvinhu zvechokwadi ini. Aiva
aita rudo asi ndaitya gogo ndaizovaudza
kuti ndazviwanepi. Kuramba kwandakaita
andina kuona kutadza kwangu ini. Plus
ndaisafana kungobvuma zvese zvese kunga
benzi. Rea aive aita rudo hake asi pfungwa
dzangu dzaisada izvozvo.

Zvino ndaive ndisingachazivi zvekuita


ini ,kuti ndiudze gogo ndaishaiwa
pekutangira uye kutya. Gogo vangu
ndakavaona kuti havadi zvinhu zvemahara.

Pandakaridzirwa hooter na Rea ndaitobva


kwamai vaya kunoshanda. Zuva iri
ndakawana vose vaenda kubasa
ndikashanda ndikadzokera kumba.

Kuchema kwandaive ndoda kuita ndina Rea


kwaiva kutya. Pfungwa dzangu
dzaisatogadzikana kana ndinaye zviye uye
zvekugara mumota yake ndainge
ndisingachadi.ndaitya kuonekwa nevanhu
ndiinaye. Ameno ndaizojairana naye kana
zvadini chaizvo.

Ndakaisa rice pa stove ndikanogara pasofa


ndakamirira kuibva kwayo , nzara ndiyo
yaive yondibvunza mutupo. Gogo vakanga
vabuda makuseni acho handina kuziva
kwavaive vaenda sezvo handina kuvabvunza
nekuti ndakanga ndomhanyira kubasa
kwangu.

Rice yakaibva ndikabika soup yacho


ndikapakura ndokudya ne juice sezvo
kwaipisa paisatoda tea. Ndainge ndodyawo
zvandinonzwa kuda veduwe. Ndikafunga
kuti ndaimborara ndisina kudya ndinonzwa
kurwadziwa chaiko , nhamo
ndakamboitamba chaiyo yaive yakatsvuka
semhiripiri. Gogo vakazosvika ndapedza
kudya ndikavatambira ma paperbag aive
vakabata ndikaendesa ku bedroom kwavo.
Ndakavapakurira chikafu ndikavapa vakadya
vakati , "pamusika tozoenda mangwana ,
tombozorora nhasi" said gogo ndikati "zvino
vanhu vachakutsvagai" I said vakati , "ah
hameno zvavo , vanozondiona mangwana."

Ndakabva ndarongedza mandiro kuendesa


ku kitchen.

"Deri!!" Vakadaro gogo vachindidana."

"Gogo"

Ndakadaro ndichienda kwavaiva , "matii?" I


said ndichigara pasi vakati "ndakakanganwa
kukuudza" vakadaro ndikati "chii gogo?"
Vakati "unovaziva here Mai vako vanogara
ku..." Vakadaro vachiita sevanofunga
ndikati "kupi gogo" vakati "ndatokanganwa
kwavanogara" ndikati "mwana wenyu here
mama vacho" vakati "eh ndiye dangwe
rangu ndangosara nevana vaviri chete iyeye
na Sam" ndikati "hoo ndichazovaziva hangu
nekufamba kwenguva."

"Yeah , asi andiwirirani naye mwana wangu


iyeye , ndinongonzwa nemakwayi kwayi kuti
akaromba , zvinhu zvaainazvo unopererwa
muzukuru , mari yake handidyi ini."

Vakadaro gogo , Inga havadi zvisina basa ,


gogo vanenge vaitova nevana vakawanda ,
zuva rakavira ndikabika. Zuva iri kule
havana kuuya futi vanenge vaigara kubasa
kwavo. Ndakapedza kubika tikadya
tikaparadzana nagogo ndikanorara.

Mangwana acho ndakamuka kuita basa


semazuva ose. Ndakapedza ndokuenda
kubasa ndikasvika baba vepo varipo
ndikangovakwazisa ndikatotanga kusuka
mandiro.
"Zvandakataura wakazvinzwa here?"
Ndakaita kuvhunduka ndichinzwa baba ava
vachitaura vari mugotsi mangu. Ndakasiya
kusuka mandiro ndikasuduruka kunomira
kure navo.

"Baba , hazviite nekuti ndakatotenderana


na Mama" dzavo dzaiva tsitsi here nhaimi.
Chavaida chaizvo ndakachishaiwa ini.

"Hazvina basa shaa , ndiri kutoitira iwe


nekuti mari yaunopiwa haitengi
zvakawanda." Said baba vaya
vakandidzvokora , ndakavati nde-e chaiko
ndichida kuona kuti dzavo dzakakwana here.

"Manga maita basa, iyoyo yakandiwandira


zvayo" vakati "usatya mhani" ndakaramba
ndakanyarara ini , murume mukuru uyu
andizivi kuti aivavarirei kwandiri.
"Okay , hapana chakashata kana muchida
kundiwedzera munotanga mataura na
mama" ndaida kuona zvavanoita ipapo
vachibva varuma muromo wavo vachiita
sevanofunga vakati "ndichitaura navo kutii?
handi mari ndeyangu here ivo vanoshanda
yavo".

"Ooh , saka ndichataura navo inini ,


ndovaudza kuti baba vari kuda
kundiwedzera mari" ndaisaida ini mari yavo
asi kuti ndaida kuvaratidza kuti zvechivande
handizvifariri. Kana vaida kundiwedzera
nemoyo wese handi vaifana kutaura
namadam here vobva vawirirana zvino
vaida kuita zvemusoro wavo.

"Usataura navo shaa , hazvimborina basa


izvo" kuzonditi shaa kwacho kunga ndiri
shamwari yavo ndikati , "why , pane
chakaipa here?" Vakati "une dzungu ,
watadza kungoti tiwirirane here?"
Vaitondishamisa chaiko ,kana zvava zvekuti
vanhu vawirirane handi anonga atova
madhiri here iwayo. Baba ava dai kusiri
kuva respecter kwandaivaita ndaigona
kuzotaura zvisizvo.

Muswe uyoyo ndaida kuugura ini. Itsika


rudzii idzodzo dzavanoita chero gogo
ndaida kuvaudza ini. Gogo vanenge
vaitorevesa pavaiti baba ava vane kaziso-
ziso. Zvakuoneka manje neyi vachida kuita
zvinhu zvisingazikanwe na madam vavo.

"Ndichataura navo handiti , usazovaudza.


Ndakangoti "okay" ndichibva ndadzokera
kusuka mandiro angu , nguva yavakabuda
vakabva vati "bye" handina kudaira
ndakanyarara ini ndaive ndatosvotwa
nekuita kwavo.

Ivo chavanosara pamba vachitadza


kutungamidzana nemukadzi wavo chii
ndaitozvishayawo ini. Ndakapedza kuita
basa rese ndikabika mazai ekuisa pachingwa.
Ndakachidya nedrink ndikaguta.

Ndakagadzira mumba ndikapedza


ndokukiya door ndikaenda kumba.
Ndakasvika gogo vachigeza ndikaenda
kuroom kwangu. Nguva yandakazvikandira
pabed ndakabva ndanzwa nock padoor.
Munhu andakafungira ndi kule ndichitoti
vauya. Ndakanovhura door.

Kuona kwandakaita munhu wacho


ndakabva ndapera simba ndokuramba
ndakamutarisa. ndaisava netarisiro yekuona
Rea achisvika pamba ko izvo zvivindi zvacho
aiva azviwanepiko.

"Hesi dea wangu" said Rea asiri


kutomboratidza kutya. Kuti aiva auya
kuiteiko? Ndakazvinetsa ndega ini ,
ndakanga ndakutotadza kugarisika , Rea
aida zvekunditukisa nagogo veduwe.

"Wavingei , unoda kunditukisa here?"


Ndakadaro neka voice kaiva pasi pasi ,
ndaida kuti gogo vasandinzwa , "Delly
dzikamisa hana" akadaro achindibata
bendekete rangu akati "ndinoda kutaura
nagogo , ndinokumbirawo kupinda mumba"
kuzondidaro , ndaive ndonzwa kutsva
chaiko uku hana ichibika manhanga ,
Mumba mei zve maaive oda kupinda.

Ndakazomuti apinde mumba asi ndakanga


ndisina kugadzikana. Takagara pasofa
ndikati , "Rea , inga wani ndakakuudza kuti
ndichataura navo gogo , saka wauya kudii?"
Ndaive ndotorotomoka paya ,apana
chimwe chandaitya kunze kwa gogo , aiva
aita zvivindi Rea asi aizondipinzisa pakaoma.
"Andina kuuya kutaura zvakaipa Delly"
ndakabva ndanyarara ndaive ndachimirira
zvinotevera. Gogo vakapedza kugeza
vakauya vakakwazisana na Rea. gogo vakati

"Ndiwe ani muzukuru?" Rea akati


"ndinoitwa Rea gogo , ndine zvandoda
kutaura nemi" akadaro Rea , ndaive
ndakungoshanyarika ndiripo pasofa paya.
Iye wacho zvaitooneka kuti zviri kumuitira ,
nhamo yaiva kwandiri sezvo ndaitya.

"Taura zvako muzukuru ndakateya nzeve"


vakadaro gogo vachinatsa kugara.
Ndakadzvokora Rea uyo ndikaona kuti ndiri
kungobudisa ziso rangu mahara sezvo aiva
akatarisa gogo.

"Gogo , kuzivana kwandakaita nemuzukuru


wenyu ndaive ndaenda kumusha kwatete
vangu , so ndakamuona achidonha mumuti
achida kuzvisungirira moyo wangu
ukarwadza nezvaaive so ndaive ndoda
kumubatsira achibva aramba , kudzoka
kwandakaita kuno Harare ndaida kutenga
zvinhu ndonomupa kumusha ikoko asi
ndakazomuona akagara pamusika apo ini
ndaibva ku kuchurch zvakabva zvaita nyore
kuti ndotenga zvinhu zvacho ndomupa ,
ndinganzi ndakatadza here gogo ndakauya
nazvo akazviramba , ndakatenga nemoyo
wangu wese."

Akazopedza kutaura ndaita kugarwa


nehasha huro yangu yaita zvekufuta chaiko.
Sofa randaive ndakagara raiita sekuti riri
kundibaya baya. Imiwee ndakamboda
kumuvhara mbama achitaura kudaro asi
ndakabva ndazvidzora , handina kuziva kuti
idzungu here raiva na Rea achiita
kudodonya zvese nekuda kuzvisungirira
kwandaive ndoda kuita.

Soro na Rea rinenge raitopisa chaiko ,


ndakatarisa gogo ndikaona vakavhura
maziso avo ndikatanga kudedera , zvaiva
zvandiipira ini.

"Hauna kutadza muzukuru ndinotenda


nerudo rwako zvimwe aitya hake asi andisi
kuona chakaipa hangu." Vakadaro gogo
vakadzikamira. Pamwe vaida kuzosara
vonatsa kutaura neni kana Rea aenda.

"Maita basa gogo , ini handichagari" gogo


vakati "Mira upiwe chekudya " akati
"mazuva mazhinji ndichazodya gogo" vakati

"Zvakanaka muzukuru , Delly perekedza


mumwe wako" takabva tabuda ,
ndakamuperekedza kusvika kumota yake
akati

"Ndauya kutaura nagogo ndichiziva kuti


hautari navo sakei ndauya kutaura ndega ,
wanga uchiratidza kutya kah" ndakaramba
ndakanyarara akati "ndichauya nezvinhu
zvako handiti" ndakangogutsurira musoro
chete , ndakanga ndicharamba papi ivo
gogo vanga vati hapana chakaipa.

"Wanditsamwira here?" Said Rea ,


Ndakakwanisa kudzungudza musoro chete
akati "chindiitawo byee ndiende hangu"
andina kudaira ndokunyarara hangu ndaive
ndoda kudzokera kumba ,ndikati

"Ndakuenda" ndakadaro ndakutofuratira


achibva andibata ruoko rwangu akati "sei
uchinditya Delly?" Ndikati "hapana" akati
"okay saka chindiitawo byee" ndakanyara
ndokuramba ndakanyarara ndichiruma
nzara dzangu. Akaswedera padhuze neni
chaipo achibva andibvisa chigunwe changu
chaiva mukanwa akati

"Ita tione dea ndione kuenda" aitonetsa


chaiko ndakazongoshinga ndikati "byeee
Rea" ndaitonzwa kunga ndaita zvisizvo
handizive neyi. Ndakatendeuka kudzokera
kumba akati "wait , handisati ndapedza
newe" ndikamira ndichida kunzwa zvaaida
kutaura zvacho akati "usare zvakanaka
ha....." Hana kupedza kutaura ndaive
ndakudanwa nagogo ndikamhanya kuenda
kumba.

Ndakamusiya akamira ndakacheuka


ndikaona akanditarisa. Ndakapinda mumba
gogo vakati "isa nyama pa stove uuye pano"
ndakaisa nyama yacho ndikaenda kwavaiva.

"Deri , zvandanzwa ndezve chokwadi here


kuti waida kuzviuraya" vakadaro gogo
vakuita senge votambudzika , "ehe gogo"
ndakadaira ndichinyara vakati "zvaiva
zvanyanya kudiiko?" Ndikati "gogo ,
hupenyu hwakanga hwandiomera ini"
vakati "pfungwa iyoyo ngaisafe yakadzoka
mupfungwa dzako uri kundinzwa ,
ndinozviziva kuti hupenyu hunombosvika
pakurwadza asi unofana kushinga
zvaunondiona kudai ndakabvawo nako ,
hapana nhamo yandisina kusangana nayo
ini asi handina kumbofunga kuzviuraya asi
nhasi uno ndingori mupenyu wani."

Vakadaro gogo , ndaive ndisisina pfungwa


yacho ini , nekurwadza kunoita
kuzvisungirira handichafe ndakazviita. Gogo
vakati

"Mwana abva pano ane rudo chairwo ,


hakuchina munhu achada kubatsira munhu
mukore uno asi iye ane rudo rwacho koiwe
wairambirei? Said gogo ndikati "ndaitya ini
gogo iye andakangotanga kuona zuva
rimwe ndotoda rubatsiro rwake zvinoita
here?."

"Hazviite hazvo wakaratidza kuva musikana


akangwara."
Ndichitaura nagogo kudaro ndakambofunga
kuvaudza zvababa vaya asi ndakashaya
pekutangira nyaya. Ndaive ndotovatya ini
baba vaya , chandanga ndoda kuita ndeche
kunonoka kuenda kubasa cz ndikamukira
ndinosvika vachiripo.

*KIMBERLY*

Zvaive zvakundinonokera zvekudanana na


Rea , kuswera ndisina kumuona kwaiita
ndisanzwa zvakanaka ,ndakamutarisa zviya
ndinenge ndichingoona rudo rwake.
Dai Rea adzora moyo wake angokwanisawo
kundida , kumurwarira kwandinomuita
hakuonewo here amana , ndikatarisa ma
lips ake so ndenge ndisingachatonzwi
zvakanaka kutoda kumunama nayo kiss.

Kakupfava kana na Rea kanoita


ndinyunguduke veduwe ini anditozive
zvekuita chaiko , mwana uya ndoita
zvekumudiniko ini , Mai vacho vanenge
vachingondibvunza kuti hazvisati zvaita
here? Zvoita papi pacho achiratidza
kutosvotwa neni.

Kuti angava ane mumwe musikana here asi


handioni ini , ndaida kuzobvunza Dudu cz
vanenge vanoudzana madhiri. Zvino
andizive kuti Dudu wacho aizoda here
kutaura neni kwacho. Ndiri pakati
pekufunga foni yangu yakabva ya
ringer,ndakanoitora ndikaona ari Tapiwa
mukomana wangu.
Ndaka ignore ndokusiya ichi ringer kusvika
ya cutter. Ndaisada zvekunetswa ini ,
yakabva ya ringer futi ndikadaira
ndakanyangadzwa.

"Hello ,babe" said Taps ndikati

"Ndiri right and you" i said akati

"Handisi bho babe , zvauri kuita mazuvano


zviri kundirwadza , ndakakutadzirei?"
Ndikati

"Ndaita sei?" Akati

"Saka zvauri kuita hauzvioni here? Sei


uchindi ignore kana ndichifona ,kana wane
mumwe waunoda taura nguva ichipo
nditsvagewo anondida."
Ndakabwaidzika pafoni ipapo ndikashaya
zvekupindura. Rudo aiva narwo asi ndaive
ndakusamuda zvishoma nezvishoma , kuti
ndimurambe moyo wangu wairwadza sezvo
Rea aive asati andida.

"Babe , why wanyarara" ndikati

"Sorry sweetheart, ndaive ndisinganzwi


zvakanaka sakei ndaisadavira foni"
ndakanyepa ini. Akati

"Saka wakarega kundiudzawo kuti uri


kurwara here? Anyway, wakunzwa sei
babe" ndakabva ndasekerera , akanga
akuratidza kusatsamwa ndikati

"Nhasi ndamuka ndiribho" akati

"Ndakusuwa ini babe , ndoda kukuona"


ndikati
"Okay ndichaona , ndozokuudza kuti
ndazodii? Ndozokufonera tym tym byeee"
akati

"Kiss babe"ndikati

"Mwaah uswere bho"

Ndakadaro ndichikata foni yacho , ndaive


ndozvinetsa pfungwa dzangu kuti
ndoramba Taps here kana kuti ndombomira.
Ndakasiyana nazvo ndokutora mari yangu
ndaida kutenga airtime pashop.

Ndakatora ma earphones angu ndikaridza


music ndichienda,kwaisave kure zvako.
Ndakati ndakusvika pama shops ndokuona
mota ya Rea yaka parker paside peshop
yandaienda iyoyo.
Kuona kwandakaita mota yake andizivi
zvandakanga ndakunzwa munyama dzangu ,
kunzwa kufambiwa fambiwa.

Ndakananga straight pamota yake ndikaona


arimo akatogara ari pafoni yake. Ndaka
nocker pa window achibva avhura.

"Hesi Rea" ndakadaro ndichimumhoresa


akati

"Ndiri right" akadaro achibva aisa maziso


ake pafoni , mwana uyu aiita kuti ndisanzwa
zvakanaka mhani , akanatsa kudaira
nehunyoro.

"Ndokumbirawo kutaura newe" ndakadaro


ndichitadza kumira zvakanaka,ndaive ndoita
senge ndiri kukwenyewa zasi kwangu. Voice
rake raiita ndinzwe kutapirirwa chaiko.
Akabuda mumota yake achibva
anozembera madziro eshop ,
ndakamutarisa kudaro ndaitoona
mubhurugwa make mune size yangu chaiyo ,
veduwe ndaive ndakutopenga ndisati
ndadiwa na Rea.

Ndakaswedera padhuze naye hana


kusuduruka hake ndikati , "asi ndiri
kukubhowa Rea?" Ndakadaro achibva
anditarisa ndikashaiwa pekubata kani akati
"no , why wadaro" ndikati "kamuitiro kako"
ndakadaro ndichitaurawo neka voice
kerudo.akati

"Pane zvandanga ndichiita , ndapedza now


wanga uchitii?" Kuzodaro , ndakanga
ndoshaya kuti ndotii , Rea aiva munhu asina
hasha asi kana achinge atsamwa
unomushaya kuti ndiye Rea uya.
"But Rea wakandimakirei?" I said
ndichitaura ndakadzikamira akati "handina
kukumaka kimbi asi hunhu hwako ndihwo
hwandakamaka" akadaro ndikati "imhosva
here kukuda kwandiri kuita" i said akati
"uchimbozviitirei munhu wemusikana"
ndikati "mama vako ndivo vakati tidanane
kah".

Kahana kangu kaiita kurova zvinyoro


nyoro.Kutaura kwandaiita naye ipapa hana
kana kumbokwidza voice , zvinenge zvaiva
kure chaiko "tsvaga Mwari nguva ichiripo ,
zvauri kuita izvozvo zvinoitwa nemunhu
asina kukwana" maiwe zvakanga
zvatokwidza paya ndikati "usadaro kani dea ,
handioni paine chakaipa ini".

"Hautonyari kundinyenga here? Ndinaye


musikana wangu andinoda kuroora uye ari
virgin" ndakapusa veduwe, Rea
akanyararira nhema chokwadi. Mashoko
ake akauya kuti ndii pahuro pangu.

Ndakabatikana nekutaura kwake ,


aitonditukirira nehweseri kah ipapa, anenge
akanzwa naniko kuti handisi virgin. Kana ari
Dudu chete akaudza Rea zvisina basa
ndaizopedzerana naye chete.

Foni yangu yakabva ya ringer iri mumaoko


angu. Ndakatarisa ndikaona ari Tapiwa , uyu
akanga akuda kunetsa mhani akanga
achada chii ipapa. Ndakaisiya ichi ringer ika
cutter yega. Rea akati

"Daira call" akadaro ndikati "munhu wacho


haana basa" I said akati "one day
uchamufunga hako" zvaitaura Rea hameno
aizviwanepi chaiko ndikati "handisi
kukunzwisisa" akati "ndati batisisa iyeye
urege kundishungurudza" ndakananzvira
muromo wangu ndakamutarisa kudaro
ndichibva ndamedzera nezvimate , handizivi
kuti ndodini ini nemadire andinomuita Rea
uyu.

"Handina mukomana ini , Rea" ndakadaro


akati "don't worry uchazomuwana hako , let
me go , ndoda kunoona babe wangu ,
ndamusuwa zvisingaiti zvese nekiss yake."

Ndakapindwa nechando Rea


achindirwadzisa zvese nekundisvotesa ,
handina kuziva kuti anaye zvechokwadi
here musikana wacho , akapinda mumota
yake achibva ayenda. Ndakaramba
ndangoyeva mota yake achienda kudaro.
ndakasara ndakatuzura semudzimu
wasvikirwa. Musikana wacho iyeye ndaida
kuzomuona ini kuti akamboita sei chaizvo.

Airtime yandaida kutenga andina


nekuzopindamo mushop macho
ndikadzokera kumba ndatodhinhiwa. Ndiri
mukufamba kudaro ndakabva ndafunga
kuenda kumba kwana Rea , ndaida kunoona
amai vacho zvimwe vangandiudzira zvekuita
nekuti ndaive ndatopererwa.

Ndakasvika vachiverenga newspaper ravo ,


"mamuka sei Mama?" Ndakadaro
ndichiratidzawo hunhu vakati "makoti ,
urisei?" Ndikati "ndiri right mama"
ndakadaro ndichinyarira sa makoti , vakati
"waita munyama Rea achangobuda manje
manje, mazuvano hachagari pasi uyu".
Vakadaro izvo havana kuziva kuti ndaive
ndamuona ndikati "hoo ndichazomuona
hangu rimwe zuva" ndakadaro vakati "zviri
kuita here?" Ndikati "no change."

Ndakataura chokwadi ko ndaidirei hangu


kunyepa , "zvichaita , ita zvekuti anzwe
kukuda , nofunga zvandataura watozviziva"
vakadaro vachinyemwerera ndikati "ndiri
kuedza asi anenge akatondimaka" zvikanzi
"achakuda hako , ndakamuudza kuti pano
handidi hure , ndinoda iwewe
wakadzikama."

Uhm ipapo ndakabva ndanyarara. Ndini


rimwe hure racho raitaurwa ipapa. dai
vaiziva kuti ndakabvisa mimba vaisamboda
kuona futi nzondora dzangu pano.
Ndakabva ndaoneka ndikaenda kumba.

Zvekuona Tapiwa zviya ndakanga


ndazvokanzura. Dudu ndiye munhu andaida
kuvinga kumba kwake , pamwe akatoudza
Rea zvekuti ndakabvisa nhumbu yake.
Vamwe vanhu vane dzungu mhani aida
ndiite sei ini ndakanga ndichaenda ku
school.

*End of chapter*
*Love you all guys *
[27/08, 17:48] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Kiyu3VI1xwp2A
RMEa54pIK

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*
*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 13*
*DELIVERANCE*

"Gogo , ndanga ndafunga kusiya basa"


ndakadaro ndichitaura nagogo tichinwa
zvedu tea yemakuseni. Gogo vakati "zvaita
sei?" Ndikati "Ah zviri kuita baba vemukadzi
uya handizvidi ini gogo. Vari kuda
kundiwedzera mari zvisingazikanwi
nemukadzi wavo."

Ndakadaro gogo vakamira kudya vakati


"Ooh zvatotanga-ka zvandakataura zviya.
Kuti haasati akutokuda here? Hino
anondiona handizivi zvakanaka ndinonzi
maChuma ini. Ndakambokuudza kaa kuti
ndinocheka zviro zvacho zvisingadi kuvata
mubhurugwa. Kungoona kasikana kati
nzvesu otoda kumisa zviro zvake." Said gogo
vachipopota.

Ndakasekera mumoyo mangu ndikati


hokoyo ndima Chuma here uyo. Gogo
vakanga vobudisa netsinga vachipopota.
Haa ndakaona kuti zveshuwa gogo
vanocheka vanenge vasingajaidzi.

"Ndorega kaa kuendako gogo" i said


ndichida kunzwawo zvavanotaura" vakati
"unoenda , haungatadziswi kushanda
nembwende isingadi kuona pasvika
musikana. Ndichataura nemukadzi wacho
adzikamise murume wake nekuti
ndikazomuendera ndirini haazodi kundiona
futi. Anotaura yekukuwedzera mari ndiye
akakudana kuti ushande here? Imbwa
yemunhu havakuri baba Chipo."

Vakadaro gogo. Havana kuzopedzisa kunwa


tea yavo kwai ndatoguta nekunyangadzwa.
Ndakanzwa kurerukirwa nekuudza gogo
kwandaive ndaita. Ndaigona kaa kuzotoitwa
zvisizvo naivo baba Chipo ndaive ndatonzwa
ka zita remwana wavo nagogo.

Ndakanga ndatoenda kubasa ndikabvako.


Mangwana acho ndaisaenda kubasa sezvo
inenge iri weekend mai vacho vaisaenda
kubasa weekend. So ndaizoswera hangu
pamba nagogo kana kuenda kumusika.

"Deri wee , ndichamboenda kutaundi" said


gogo vatopfeka zvakanaka naka. "Okay
gogo mundivigirewo ma sweet" ndakadaro
vakati "pane pandaizotadza kutengera
muzukuru wangu here? Muzukuru wacho
haatogoni kuyema handi dai
uchitondinetsera mazepi." Ndakaseka
zvangu gogo vachidaro ndaimbozvigona
here zvekuyema zvacho ini ndakakura
ndisina wekuyemera ndichiita yese yese.
"Handizvigoni gogo , moda kunotengei
kutaundi kwacho" vakati "ndinoda
kuwedzera zvinhu zvangu
zvepamusika ,ndichazoenda newe rimwe
zuva." Ndikati "zvakanaka gogo ndokuonai
madzoka."

Vakabva vabuda ndikasara ndakagara


hangu. Ndakasimuka ndokutanga kusuka
mandiro ndikapedza ndokuenda hangu
kunogeza. Hupenyu hunochinja veduwe
kutogezawo pandinenge ndanzwa kuda
kugeza uye kutogezawo nesipo. Zvakaoma
kwatinobva nako kure chaiko. Ndaizvifunga
ndichigeza.

Ndakapedza ndikaenda kuroom kwangu


kunochinja hembe nekuzora mafuta. Ndisati
ndapfeka hembe ndakanzwa knock padoor.
Ndakatora hembe ndikapfeka ndikanovhura
door.
Ndakaona ari Rea akabereka setchel
kumusana. Ndakamhoresana naye ndikati
apinde mumba akati "handisi kuda kupinda
mumba, ndauya nezvinhu zvako , ko gogo
varipo here?" Ndikati "havapo vabuda."

"Okay unozongovaudza kuti ndambosvika


pano" akadaro achinditambidza setchel
racho apa ndakatambira ndichifunga kuti
hariremi richibva radonha. Rea ndiye
akarinhonga akati "bata zvakanaka"
ndakazobata nesimba ndikariendesa
kuroom kwangu ndikadzoka paaive ndikati

"Waita basa" i said akati "Ani?" Ndikati


"iwewe" akangoseka achibva atonyarara.
Kutya kuya kwakanga kwapera ndaive
ndonzwa kusununguka ndiinaye. "Hande
kumota tinotora zvimwe zvandasiya."
Ndakatoshamisika kuti zvimwe zvei futi
zvakutaurwa. Takaenda kumota kwacho
akasvika nekutogara hake ndikati "zviri kupi
zvinhu zvacho" I said akati "ndanga
ndichinyepa pinda muno" ndakada kuvhura
door racho richibva raramba kuvhurika
achibva azondivhurira ndikapinda.

"Uchiri kunditya?" Said Rea ndikati "kwete"


akati "good , ndakutengera food" akadaro
achitora paper bag raiva nezvinhu zvacho
ndikati "ndakaguta ini ndadya" ndaive
ndichakazvimbirwa nezvandakanga ndabva
kudya. "Hazvina basa unozongodya kana
wane nzara." Ndakatambira paperbag racho
ndikariisa pa side pangu. Ndakabva
ndatonzwa kamoyo kekuda kuzvi taster
sezvo zvainhuwira zvinonakidza.

"Unofarira zvekurukwa here?" Akadaro


ndikati "ehe" ndaingodaira zvanenge ataura
chete , akati "taura wakanditarisa uri
kunyarei?" Aida ndinyarirepiko ,
ndakamutarisa kwacho ndikaona
achisekerera , izvozvo manje ndizvo
zvaizoita kuti maziso angu asabva paari
nekuda kwekunaka kwaakaita.

"Dee , ma dimples ako anoita ndisagarisika"


ndakarohwa nehana ndichinzwa Rea
achidaro. Kusagarisika kwaaive akutaura
handina kukuziva ini. Apa ndakanga
ndakamutarisawo pakataura kudaro nyadzi
dzacho dzakabva dzawedzera kundibata.
Handina chandakataura ndokuramba
ndakanyarara.

"Wazvinzwa here Dee?" Said Rea.


Kuzondidaro ndainge ndoita ndichisimukira
pa seat pandaive ndichitadza kugarisika
zvakanaka. Kana kuri kugadzirisa pahuro
ndakaita kasingaperi. Zvikunwe zvangu
zvakanga zvorwadza nekuridzwa imiwee
ndainge ndoshaiwa zvekuita.

Ndakabiridzira kutarisa Rea ndikaona


achingonyemwerera ndikavarairwa futi
ndakamutarisa. Amana Rea akanaka hake
ndaive ndajaira kuona vanhu vakasviba ava
vatsvuku ava ndaivaonerepi hangu.

Rea akabva andibata ruoko rwangu


ndikatarisa side. Neche mumoyo mangu
ndakazvibvunza kuti saka Rea anotoendawo
ku toilet here iyeyu. Pfungwa dze benzi
zvadzinoita so ndaitova busy kufunga
zvisina basa.

"Pfungwa dzako dziri kupi nhai Dee ,


ngatitaure takatarisana" said Rea achinatsa
kuswedera pa side pangu. "Amana kani Dee
ndiri kutaura ndega here?"

"Hmmmh" ndakadaro ndichivhundukira


akati "haudi kutaura?" Akadaro ndikati
"ndinoda ko watii?" Ndakadaro
ndakatsikitsira ndisingachadi kutarisana
naye. Apa aive akaita kugumhana neni
ndakanyara kumuudza kuti aswedere kure
neni ndichibva ndanyarara. " Wakanaka
Dee , pane akambokuudza izvozvo here?"
Said Rea ndikati " ayewa , waita basa."

Kunaka kwairehwa na Rea ndakanga ndisati


ndakukuona ini. " Okay , ndikakutengera
foni unoida here?" Ndaigotaura nani hangu
pafoni pacho ini ndisina shamwari. " Ayewa
andina shamwari dzekutaura nadzo ini." I
said akati "ko ini? "

"Aaahh" ndizvo zvandakakwanisa kuita


chete achibva ati " saka haundifariri
handika , ndazviona hangu uchataura hako
chawakandimakira." Ndakabva ndaseka.
Akati " kubva wawedzera kunaka uchiseka
kudaro" nyaya yekunaka iyi aisada kuisiya
veduwe ndakatadza kuziva kuti ndaita
manakirei chaizvo.

"Unopenga ko iwe wakashata here."


Ndakataura ndichi smiler ndichibva
ndamutarisa tikasanganidzana maziso edu
akati " handina kunaka sewe , ndine
zvandinoda kutaura newe Dee asi
usandituke handi" ndakagutsurira musoro
ndichiti "okay taura."

"Ndatadza kuzvidzora uye ndatadza


kumirira nguva , moyo wangu hausi
kuzorora kufunga." Handina kunzwisisa kuti
Rea aiedza kutii chaizvo. Ndakazama kuda
kubatanidza zvazvinoreva asi andina kubuda
ne answer. " Ndatadza kunzwisisa wataura
pachikuru."

"Okay Dee , let me tell you neshona


yaunonzwisisa yacho , ndati Rea anoku......"
Foni yake yakabva yarira asati apedza
kutaura " sorry mira ndimbodavira call."

Akadaira foni yacho akatora nguva aripo pa


foni ichibva yazokata , ndaive ndoda kuenda
kumba kuitira gogo vasvike ndiripo pamba.
"Tambotandara ndakuda kuenda"
ndakadaro achibva ati " watoneta kutamba
neni here Dee chindipawo hug ye goodbye"
ndakamutarisa ndichitopererwa
nezvaaitaura. Zvekuti munhu anopiwa hug
handitozvizivi ini. Ndakaedza kuvhura door
rikaramba kuvhurika ndaive ndisingachadi
zvemo nyaya ye hug iyi ndoyanga
yatondibhowa.

"Ndiri kutamba newe Dee , thanks


wambondivaraidza." Akadaro
achindivhurira ndikabuda ndichibva
ndarivhara akati " byee dea dai zvaiita
ndaigara hangu kuno" akadaro ndikati
"byee" ndichiseka hangu aitopenga uyo.

Ndakapinda mumba ndakabata plastic re


food , ndakananga kuroom kwangu
ndikavhura bag riya re hembe. Ndakadziisa
dzese pamubhedha ndikatarisa one by one
ndikaona zhinji dzacho ari ma trouse. Ini
ndakanga ndisingapfeki zvino Rea ndiwo
akanga atenga ma skirt paiva ne four chete.
Ndakagara pamubhedha ndichiseka hangu
shuwa Rea kutenga ma trouse kuita sekuti
akambondiona ndakapfeka trouse racho.

Ndakamutenda hangu naizvozvo zvacho.


Ndakavhura kamafuta kaivapo ndikanzwa
kachinhuhwirira kani. Gogo vakazouya
ndikavaratidza hembe dzacho vakati

"Dzakanaka wani muzukuru" ndikati "eh


dzakanaka gogo asi handipfeki ma trouse" I
said vakati "hakusi kumusha kuno Deri
pfekawo kaa zvinopfeka vamwe
zvimbambamba izvozvo zvinosvina
matako."

Ndakaseka veduwe kutaura kwagogo


kunotonakidza chaiko. "Zvino kana ma
trouse acho achisvina sele ini ndisina kudai
handi zvinozoita kunga kwakarohwa
nepani." Vakati " wakasimba wani
muzukuru manje manje dzinowedzera idzo
kana wakudya zviya idya anatse kukura. Aita
hake mwana iyeye ndichazomutenda kana
ndazomuona zviya."

"Shuwa gogo agona hembe dzacho


dzakanaka idzi ndichazodzidzira hangu
kupfeka ma trouse acho."

"Ndizvozvo muzukuru" takataura nagogo


tichidumbidza Rea nemoyo wake wakanaka.
Moyo una Rea ndakautya ini ndian angada
kuswera achitengera munhu hembe iwo
mukore watiri uno.

Ndakatora food iya yandaive ndatengerwa


na Rea ndikadya nagogo tichinakirwa.

Weekend yakapera ikava Monday


ndikaenda kubasa , gogo vakazotaura namai
Chipo vaya vakati vachapedzerana
nemurume wavo. Ndakasvika baba chipo
vasipo ndikanzwa kufara chaiko.

Ndaive ndanonokawo hangu kuenda kubasa


kwacho , ndakawacha washen ndikapedza
ndikayanika. Ndiri pakati pekuyanika
ndakanzwa gate kuvhurwa. Ndakaramba
ndakatarisa ku gate ndikaona baba vaya
vachipinda mukati.ndakafunga kuti zvimwe
pane chavadzokera havo ndikayanika
hembe ndikapedza.

Ndaka cleaner mumba ndikanzwa baba


vaya vachiti " ndaive ndakakuudza kuti
ndinokuda here mwana iwe" vakadaro
vachipopota ndikashaya kuziva kuti zviri
kufamba sei. Ndakatsveta moppy pasi
ndikagumbatira maoko ndakavatarisa
ndikati "matiiko baba" i said ndichida
kunzwisisa. Havangatangi nekungopopota
zvisina basa ndisingazivi nyaya yacho.vakati
"Handisi baba vako , uri kabenzi wanzwa"
ndakanzwa hasha kani ndakatarisa baba
ava , hubenzi hwangu hwacho
ndakahushaiwa ini.

"Ndinokuremekedzai zvakanyanya baba


ende kuti baba kwandaita kuratidza
rukudzo , ndamutadzirei muri kundituka
uye hubenzi hwangu huri papi?'

"Nxaaa haundizivi zvakanaka iwe." Said


baba vaya ndikati "ndinoda kuudza mama
kuti mabva kubasa kuuya kundituka pano."
Ndakabhoikana chaiko ,baba ava ndaisada
kuvaratidza kuipa kwangu nekuti vaisada
kuzondiona futi.

"Sorry ,ihasha kani kungoti zvakandibhowa


nekuti nezuro mukadzi wangu akandituka
ko iwe sei wakavaudza." He said ndikati
"handina kufarira zvamakataura sakei
ndakataura."

"But kukufarira imhosva here?" Ndakaita


kubudisa ziso ndikati "mati chii?" Vakati
"wamhanya kufunga zvisizvo" ndakabva
ndanyarara ndikaenderera mberi nebasa
rangu.

Ndakapedza ku cleaner ndikasuka mandiro ,


baba ava ndakavasiya vachiona tv. Kupedza
kwandakaita basa ndakabva ndaenda
kumba.

*MELISSA*
Ndakasvinura maziso angu ndikatarisa tarisa
ndokuona ndakarara pabed. Mona aive
akagara achibaya foni yake. Pakaona kuti
ndamuka achibva ati

"Uri kunzwa sei Melissa?" Musoro wangu


ndiwo wairwadza zvakanyanya.

"Musoro wangu uri kurwadza" i said


ndichifinyamisa kumeso kuratidza
kurwadziwa , Mama vakanga voda
kundiuraya chaiko zvino ndaive ne size yavo
yakakwana.

"Mama vandirova neyi?" Ndakabvunza


Mona uyo akati "nechitsiga chemoto"
ndakada kusimuka kuti ndigare asi musoro
wangu waitenderera kunga ndine dzungu
ndikaramba ndakarara.

"Chitsiga chaiko here?" I said ndiri


mukukanuka akati "eh gotsi rako
rakakuzvuka iro" ndakabata gotsi racho
ndikanzwa paine nhuku isingaiti.

Ndakanzwa kuvenga mama zvisingaiti.


Ndakavatsiura zvakanaka kuti vasiyane ne
boyfriend yangu asi ivo havadi kunzwa.
Ndaida kuvaitira zvekuti vanoramba kuti
ndiri mwana wavo.

"Mona , mama ndine size yavo yakakwana"


i said Mona akati "ndeye chii?" Ndikati
"handi uri kuziva kuti Shupikai
akanyangarika pano , ndinofonera baba
vacho ndovaudza kuti Mama
vakamudzinga."

"Nhaiwe Melissa asi wakuda kuti tidzingwe


pano" ndikati "handina basa nazvo
vakandibhowa ava , chekutanga vanorara
ne boyfriend yangu chero ndiwewo zvinoita
here? Chepiri vondirova futi nechitsiga
chemoto vanga vatofunga kundiuraya ka
ipapa."

Ndakadaro Mona akati "siyana nazvo


ndimai vako ava Melissa,chingonyarara"
ndikati "kunyarara ndichirwadziwa here
Mona" akati "hazvina basa munin'ina chero
Mai vakakuti uri duzvi iwewe ingonyarara"

Inini kungonyarara manje ndichivasiya


vachiita zvisina basa kudaro. Vanofana
kutondinyengerera nekuti ndinodura zvese
zvavakaita tione kuti vanorarama here.

"Vaendepiko mama vacho" ndakabvunza


vakati "kunowacha" vaive vatogona
zvekuita basa ndaisada kuzvinzwa. Kunoona
baba taku kuya kwandaida kuita handina
kuzoendako nenyakanyaka yakanga yava
pamba.
Ndakazozvishingisa kumuka ndikanogeza
musoro wangu ndikanzwa zviri nani. Mom
vakazosvika ndakagara hangu panze
ndichibaya foni yangu. Vakauya pandaive
vakati

"Melissa , sorry mwanangu ndaive


ndanyangadzwa" vakadaro vachigara pasi
ndikaramba ndakanyarara vakati ,
"unazodzidza kutaura zvakanaka Melissa
ndiri Mai vako wanzwa." Ndikati

"Handina kumboti hamusi Mai vangu ,


munoti ndinofarawo nazvo here
zvamunoita kurara ne boyfriend yangu"
vakati "asi unombodeiko padhara iroro."

"Koimi makarorwa munodeiko padhara"


vakabva vandidzvokora ko ndakanga
ndanyepa here , zvagara chokwadi
chinorwadza.
"Melissa , muromo wangu uyo" said mom
vatochinja face ndikati " Mama, handifungi
kuti pane chinonetsa ini ingosiyana ne
boyfriend yangu ipere nyaya yacho nekuti
ndiri kutoona kuti nyaya ya baba taku
ichativenganisa pano."

Ndairevesa ini nekuti kwaive kwoda kuenda


nyaya yacho kwakanga kwatoipa zvee.
Mama vanoti ndisiyane nedhara ini
ndichirida dhara racho. Baba taku
vanondiitira mhani kana vabata basa zviya ,
ndainatsa kunzwa kuti yeah zvaita kundisiya
ndisina kana simba , ndipo pandinonzi
ndisiyane navo kuita zvekudii kwacho.

"Zvakaoma ende waita kupanduka Melissa"


Mama vairwara anga apanduka ipapa ndian
handi ivo murume vaiva naye here ini
ndaisava naye ka.
"Mama ngaipere nyaya yacho" vakabva
vanyarara ndikabaya baya foni yangu ivo
vakaenda kunobika. Vakapedza kubika
vakapakura tikaenda kunodya.
Pandakangoti musuwa mukanwa ndakabva
ndabuda panze ndiri bara ndoku......

*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:48] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Ios8pJVRKQMH
lNt7dCSxKE
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536
*CHAPTER 14*

*REA*

"Mai Dee , siya zvauri kuita izvi rega mwana


afarewo" said dad.

"But ndaive ndamugonera wani baba


Desire , tarisai kuti mukore uno hakuchina
vana vakadzikama dzangova nzenza dzega
dzega ,kimbi akadzikama hamuzvioni here?"
Said mom.

Ndaive ndakaterera nyaya dzevaviri ava.


Ndaienda ku sitting room ndikaona kuna
mom na dad vachitaura nyaya ndikamira
kuterera zvavaitaura. Desire ndiye aiva first
born mu mhuri medu.

"Wakamuona sei kuti akadzikama?" Said


dad , ipapo ndakavapa tsvunhu mbiri
chaidzo vakabvunza mubvunzo
wakandifadza mom ndokuti. "Zvinooneka
zvega" vakadaro mhamha.

"Hoo , inini usazondipinza panyaya iyi kana


zvazoshata , mwana wangu ndinoda ave
nemufaro kwete zvauri kumuita izvi handisi
kana kuzvifarira. Rega mwana atsvage
musikana waanoda izvi zvayiitwa kare
kwete chizvino zvino." Vakadaro dad
vachitonzika kuti zveshuwa zviri kuvabhowa.
"Hapana chinomboitika baba Dee , tarisai
Dee akanga atora hure paya vakambogara
vese zvenguva yakareba here vakabva
vatosiyana saka handidi zviitike futi pana
Rea." Said mom ndikanzwa kubhoikana.

"Pamba pano apana machongwe maviri


wanzwa ramba zvako uchidaro ndinoziva
kuti pano pane jongwe rimwe rinotonga."

Dad vakabva vasimuka vakaenda. Ndakaona


kuti vari kuratidzawo kusafarira zviri kuita
Mama. Mukoma Dee kunyangwe
vakamboroora hure handi ndiye wavaida
here plus vaisatozivawo kuti ndizvo zvaari.
Zvino mama vakanga vasingatozivi kuti
munhu wavari kuti ndidanane naye ndiro
hure remandorokwati.

Ndini ndaive chigumisirwa mumba medu asi


zvaitoita senge ndiri dangwe nekuda
kwemaitiro amama. Vaifana kundiyemedza
kwete zvavanondiita zvekundishaisa mufaro.

Kana iri nyaya ya kimbi yaiita kundigura


gura mabhonzo angu. Kimbi aive akanaka
asi aitozviita munhu wemahara nekuda
kweka hunhu kake kaasingadi kusiya.

Ndakadzokera kuroom kwangu mushure


mekunge ndapedza kuterera mashoko adad
and mom. Ndakarara pabed ndokudzeya
mashoko aitaurwa nevaviri ava ndikaona
kuti dad vakanga vaita semunhu mukuru.

Vakagona vakambotsiurawo mukadzi wavo


pane kunyarara kwavanosimboita. Zvisinei
ndakarara kudaro ndakabva ndafunga Dee.
Ndainge ndonzwa hana kurova kana
ndinaye. Kuswera ndisina kumuona
ndaitonzwa kuti pane chiri kushota pandiri.
Dimple rine mwana uya rinoita
ndisagarisike mhani.
Kumutarisa kudai ndinoita sendiri kuona
ngirozi. Handizive kuti zvakanga zvakubvepi
izvi. Kuti ndikande shoko ndaifila kunga
ndamhanya ndobva ndadzikamisa hana. Asi
moyo wangu waiita kutokonywa chaiko
zvino ndaizodiniko nekuoma musoro
kwakaita Dee. Mwana uya hatode zvisina
basa ndakaona nepandakati andipe hug
ndakaita senge ndataura zvisingataurwi
mwana akanga atotsamwa.

Delly ndakanga ndatomuda ini , ndaifana


kutoti ndikande shoko nekukasika kuti
ndikanganwe nezva Annah , zvekuti
ndazomhanya izvo zvakanga zvazvimwe.
Kusaziva kuti paizobuda chakanaka here
ndamuudza mashoko anovhundusa iye
achimbovhunduka nekunzi ndipowo hug
kuzoti ndikamuti i love you abvai
ndingatorumwa zvee , Ah hameno musi
wacho.
Dai aiva nefoni ndaitaura naye zvino akanga
asina kuti ndimutengere iye akati haaide
aigona kuiramba. Kuramba ndichienda
kumba kwacho ndaiona sezvisingandiitiri asi
chekuita ndipo pasina kunze kwekutongoita
izvozvo zvacho.

Foni yangu yakapinda msg ndiri mukufunga


Delly wangu. Ndakaitora ndokuvhura msg
yacho ndikaona iri ya Dudu yekuti asi
wakanditsamwira ini ndakanga ndisina
kumutsamwira ini ndingatsamwa zvisina
basa izvozvo.

Ndakapinda mu bath ndikageza. Handina


kumiramo ndokubuda ndikazora mafuta
nekupfeka hembe. Ndakarova smart
rinovhundutsa ma babe ndainge ndoda
kudzoka pekare pangu. Kurambwa
kwandakaitwa na Annah ndakanga
ndakupfeka zvihembe zvisina basa.
Ndakaisa perfume yangu ndikatora fon
nema keys emota ndikaenda kunodya.
Ndakaona dad and mom vari pakati
pekudya ndikangokwevawo chair yangu
ndikagara.

"Morning Mom and Dad" I said


ndichidhonza ndiro yangu yaiva nefood.

"Tamuka hedu , nhasi wakachena


mwanangu" said mom ndikati "thanks
mama" ndikaramba ndichidya hangu.

Takatora nguva pasina ataura nemumwe


mom vakazoti "wafungepi son" ndikati
"kunoona muroora wenyu Mama"
ndakadaro ndakavatarisa vakabva vaseka
seka asi ndakaona kuti ndekwe kumanikidza.
"Hoo , i want to tell you something my son"
said mom ndikati "I'm listening mom , tell
me."

Vakabva vambomira kudya ini ndikanzwa


kuguta ndaive ndonzwa kuda kuterera
zvaida kutaura mama. Dad vaitova busy
kudya pasina kana chavaitaura. Mom vakati

"I know zvandainge ndati uite hazvisi


kukuitira Rea , asi ndanga ndisina kuona
kutadza kwangu ndaiti ndiri kukugonera
mwanangu asi izvo ndiri kukutsamwisa
ungazotofunga kuti handisi mai vako chaivo
ndini biological mom vako Rea ,chiita
zvinokuitira zvacho mwanangu asi pano
handidi nzenza ndinoda muroora kwaye."
Said mom.

Ndakatura mafemo mom vachipedza


kutaura. At least kana vachizviona havo kuti
zvavari kuita handizvifariri. Ndakanga
ndombofunga kuti pamwe havasi mai vangu
kaah , ndakaona kunga mashoko avakanga
vaudziwa nadad anenge akavabata bata.

"Thank you Mama , asi kana muchiti moda


muroora kwaye munoda akaita sei?"
Ndakabvunza kuda kuziva vakati

"Asinganyadzisi ,ane hunhu netsika sa


kimbi."

Ndakavapa ziso rekuti kimbi


wamunorumbidza kudaro munomuziva
zvakanaka here? Zuva ravachaona kuipa
kwake vanozvivenga nekumurumbidza
kwavari kuita ikoko. Ndikati "i understand
mom." Dad vakati " hauchaoni kuti wagona
haikona zvawanga uchiita kuda kutonga
mahara kunga uri murume." Ndakasekerera
dad vachidaro mama vakango smiler
kwakuvhara muromo wavo. Handina kuda
kunyanya kuvatemba mama ava nekuti zviri
mupfungwa dzavo andizvizivi. Uye handizive
zvavanenge vachironga , ndinozviziva kuti
kimbi havaregi kumufurira nekumuda
kwavanoita.

"Huya ndikupe hug son" vakadaro mom


ndikati nhasi inga kwakashata.
Takambundirana tikaregedzana ndikati "
ndichambobuda mom and dad." Vakadavira
pamwe chete ndikabuda kuenda kumota.

Ndakapinda mumota ndikapfeka belt


ndikamutsa mota , ndaridza music ndikaisa
volume pasi pasi ndoku driver hangu
ndanga ndafunga kuenda kwa Dudu.

Ndichangobuda gedhe ndakabva


ndadhumana na kimbi uyo akange atomira
mberi kwe mota ndikabva ndamira.
Ndakaburuka ndichinzwa hasha zvekuti
ndaida kumupa mbama chaiyo.
"Kimbi , ukaramba uchiita zvauri kuita izvi
usazondimake uri kundinzwa here?" I said
ndakamubata huro yake ndaitoda
kukapunzira pasi chaipo. Ndakazomurega
akubudisa ziso jena rakati mbuu kuchena.
Akatanga kukotsora zvakanyanya akabata
pahuro pake achibva arutsa kwakuti rabada
pasi.

Ndaive ndototya nekudonha kwakaita.


ndakamusimudza ndikamuisa ku back seat
ndikamumwisa mvura yandaifamba nayo
achibva azopembenuka.

"Dai uchindifira zvichikonzerwa futi newe


unozviitisa , waimirirei mberi kwe mota ko
dai ndiri pakumhanya kei?" Ndakadaro
achibva akosora futi akakwiridzira
nezvimadzihwa.

"Handina kuziva kuti ndiri muvengi wako


Rea , I'm very sorry , now I know kuti
wakandimaka chaiko." Said kimbi achinyepa
kunzwisa tsitsi. Ndikati "
unombozvibvunzawo here kuti why
ndakakumaka" akati

"Handizivi , asi kana iri nyaya yekunzi


tidanane kwedu hazvina kushata ndivenge
hako asi rimwe zuva ndichava mukadzi
wako Rea."

Imi kani ndakabwaidzika ndakatarisa kimbi


uyo akanga akutovhura door re mota kuti
aone kubuda. Aizama kureveiko? Kana
achiti rimwe zuva achava mukadzi
wangu ,how? Ndakaboira maziso angu
ndakatarisa panhu pamwe. Ndakamisa
kimbi uyo akanga akutoenda ndaida
andiudze zvakanaka nekuti moyo wangu
waive watorembera kuda kuziva kuti
chirudzii.?
" Wati chii? Handina kunzwa zvakanaka. Uri
kurevei kimbi kana uchitaura so?" Handina
kuita hasha , ndakataura ndakadzikamisa
hana yangu , apa yaive yorova zvanyanya.
Zvakandindityisa chinomboti pano here?"

Ndakazama kuda kudzikamisa hana yangu


asi yakaramba ichirova ichiita kutambisa
nehembe yandakanga ndakapfeka. Kimberly
kuita mukadzi wangu chirudziiko? Ini
ndisina kana ma feelings naye even
mashoma hawo handina ini. Mubhurugwa
umu munenge makatotonhora kana ari
padhuze pangu kusimuka chaiko
hazvitomboedzeseri..

"I'm done with you Rea , dai uri mumwe


watodzidzira kundida nekuti......" Andina
kusiya achipedzisaba ndakabva ndamugura
ndokuti
"Haa my dear , forget and azvife zvakaitika
izvozvo , I love Delly with all my heart"
yowee ndakakaruka ndataura zvisina basa
nhaimi , Delly wacho aive andida here? Inga
zvakaoma. Kimbi akabva aseka ndokuti

"Delly ndeupi iyeye umuudze kuti....."

Andina kumirira kupedza kutaura kwake


ndikati

"Usada kundijairira , magaro akazara mvura


anzwa ka nekutsikirwa nekupfanywa
pfanywa."

Ndakaona achishama muromo , achibva ati

"What are you talking about?" Ndikabva


ndaseka zvanga zvabaya panyama nhete
ndikati
"Raendepi dzungu , handiroori iwe une
mazamo akarara kunga echembere kudaro ,
emusikana wangu akamira kuti twii ekuti
ndikamabata ndinonzwa kuti ndiri kubata
zamu."

Ndakamutsa mota yangu ndikarova pasi ,


zvemunhu ane dzungu ndombozvida here
ini. Ndakamutarisa nepa view mirror
ndikaona akagara pasi chaipo. Zvandaive
ndamuita zvishoma izvo kuzoti dai
ndakamuudza yekusvotora mimba
aitoshaiwa pekupinda.

Ndakanga ndatotyisidzirwa na kimbi


nezvisina basa , ndakawedzera volume ye
radio ndichi driver pore pore hangu hapana
chandaimhanyira ini.

Ndichiterera music yainakidza foni ichibva


yarira , ndakaitora ndokudaira dzaiva new
number.
"Hello ndiri kutaura nani?"

Ndakatoti ndidaire nekutobvunza kuti ndian


munhu wacho ndokunzwa kuti

"Uhm ndini....."

Andina chandakanzwa kunze kwekuchema


nekukwiridzira madzihwa kwayiita munhu
uyu. Ndakanga ndototya ndichitadza
kumuziva uye kuti ari kuchemei? Ndikamisa
mota pa side pe road ndokunatsa kuisa foni
pa louder.

"Ndianiko? Zvaita sei?"

Ndaive ndonzwa kuda kuziva ini. Akaramba


achichema angoripo pa call kusvika foni
yakakata yega. Ndakatarisa foni yanga
yakata ndikabva ndafona ndirini. Haina
kunonoka kudairwa ndikati
"Ndian?" Akati

"Ndi Annah" ndakashamisika ndichinzwa ari


Annah zvino aichemeiko ndakazvibvunza
ndega kunga munhu wacho asipo ndikati

"Uri kuchemei? Kwafiwa here?" Nekuti


kamuchemero kacho kaitoita kunga munhu
afirwa akati

"Ndarohwa , I'm tired with that bastard"


akadaro mushure mekunge anyarara asi
kukwiridzira madzihwa haana kurega. Zvino
aindifonera kuti ndiite seiwo ini zvangu
bhanguwo hake.

"Annah , saka uri kuda kudii kana uchiti


waneta naye. Unombonamata here dea" I
said zvimwe imhepo kaa dzinoita zvidaro so
zvinenge zvichida kupfugama kunamata.
Ibvi rako ndiwo mushonga mukuru pasina
izvozvo hapana chinofamba diko kudai.

"I'm tired nekunamata kwacho , why Mwari


vasingandinzwewo" Said Annah ndikanzwa
tsitsi moyo ukarwadza. Zvino ndomubatsira
Seiko ini iye akaroorwa kudaro. Dai asina
ndaigona kuita plan manje munhu ane
murume wake ndingazopinda busy
nemurume wake.

"Next time usataura izvozvo , Mwari


havanete ava iwewe ingonamata chete ,
everything happens for a reason dea
zvichanaka hazvo" i said moyo wangu
wakuto jungwa jungwa nekutambudzika
kuri kuita Annah. Aimhanyireiko kurohwa
inga ndaimuda wani.

"Thank you Rea , ndichambozama kutaura


na dad vandibvumidzewo kusvika kumba
ndoda kumbozorora ndaneta nekurohwa."
Ndikati

"Okay my dear , don't lose hope zvinoita


handi" akati

"Ehe" akadaira achiita seakuchema futi


ndika dropper call yacho. Ndakatura
mafemo ekurwadziwa. Kamuitiro ka Annah
akuda ndifunge nezvake hamawee ini
ndichiti zvanga zvapfuura. Kamweya kari
pandiri kanotoda kuti nditsanye
ndikanganwe nezvake zvachose. Number
dzake ndakanga ndakadzibvisa mufoni
mangu ndosaka ndisina kudziziva.

Ndakazoenderera mberi nekuenda kumba


kwa Dudu. Ndichisvika ndakawana
achiyanika hembe pawaya. Hameno maid
wake akanga aiendepi. Ndakamisa mota
ndikavhura gate ndokupinda hangu mukati
ndikatanga kumuseka akati
"Haa pakaipa shaa , ka maid kacho kakatiza
aka" akanga atoziva zvandaiseka ndikati

"Ko hindava? Usandiudza kuti wakabata


mwana" munhu wacho ndaimuziva kuti
anozviita chaiko , Dudu anoda ma babe
zvakanyanya.

"Haa mudhara" said Dudu achiseka


ndikaona kuti anenge akashaisha mwana."

"But why uchidaro Dudu , unomboziva kuti


wakatokanya hupenyu hwe mwana here?
Ende aitoratidza kuti achiri mwanana." I
said ndichinzwa kurwadziwa nekuita kwake.
Handimbokurudziri munhu kuti aite zvinhu
zvinorwadza kudaro.

"Rea , ndaive ndabatwa nechikara wangu ,


you know wani babe rangu riri kure xaa"
musikana wacho akanga ari kunze kwenyika
achiita zve school.

"Iweka dzidza kuzvidzora , saka unoda kuti


pese pawanzwa kuda wongobata munhu
here usadaro shaa izvozvi mwana iyeye ane
misodzi pamatama nekuda kwako.
Zvinorwadza usadaro shaa imbogaya kana
ari mwana wako unonzwa sei?" Ndakanga
ndatonyangadzwa ini , Dudu anozviitisa
mhani uku ndiko kusarohwa manje.

"Uhm ndakazoti pembenu ndapedza hako


apa kaive kavirgin. Ndakatozvionawo kuti
ndaita zvisina kunaka , anyway kurisei
kuden kwako"

"Kuribho uku , wanga uchiti ndakatsamwa


here pawandiisira msg." Akati

"Ehe kubva zvawakabva pano hauna


kuzomboda kutaura neni" ndikati
"Anditsamwi zvisina basa bambo ndinenge
ndine ma stress angu" akati

"Nhasi wauya face yakachangamuka kudaro


asi kwava na gulez" ndikati

"Kana , saka unoda kungondiona


ndakasuwa here?"akati

"Haa mudhara wati handikuzivi here?"


Ndikati

"Haa manje manje ndinenge ndanaye xaa


ndinoda kukanganwa nezva Annah ndoita
move on." Ndakadaro achibva ati

"Wakutaura manje , nofunga unoda


kunyukura kakadarika Annah" ndikati

"Obviously bambo inga unondiziva wani


ipapo handidi kuona munhu ndinouraya
chaiko , mudhara kane dimple rinovhiringa
brain dzangu"

Takabva taseka na Dudu. Delly chaiva hacho


chimusha chaiva paari asi akanga
akandinakira ini. Zvekuti ndikanatsa
kumuchenesa nekumutengera zvimafuta
futa zviri bho aah imi anochinja chaiko.

"Aah wandinakidza mudhara , ndinoda


kuchiona ini chimoko ichocho" ndikati

"Not now shaa unoda kuzotora babe rangu


uchazomuona kana zvakunatsa kuendeka."
Ndakadaro ndichirevesa cz madire a Dudu
ema babe anogona kuzondiitira zvimwe
pana Delly. Hondo yaiva pakuti ndisvitse
shoko. Kasoro kacho ndakatoona kuti
kakaoma chaiko sakei ndakazoita
zvekunotaura nagogo vacho ndomene cz
ndaizviziva kuti hamboti bufu kuna gogo
vacho. Zvino ndakatoona kuti gogo vacho
havana kana problem nazvo.

"Handiite izvozvo mudhara trust me"


ndikati

"Kanganwa Dudu kuda kuzomisa ziro rako


kana waona dimple remwana"

Takabva tati bvuu kuseka tichirovana


maoko. Aah ndaiva ndataura chokwadi ini
Dudu ndinomuziva handidi kuti babe rangu
riende ndakatarisa ini ndisati ndasvitsa
shoko kudai.

"Ukaona uchidai so mwana adiwa iyeye"

Akadaro achiseka. Takapinda muden make


pese apa takanga takagara panze , akadira
drink ndikanwa iye achinwa beer rake ini
ndaisabata hangu ndaida zvekunamata
zvedoro zvaisava pandiri. Ndakatandara na
Dudu ndikaneta ndikadzokera kumba.

*MELISSA*

Zvakaoma veduwe ndakaita kubudisa zvese


zvandakanga ndadya masikati. Chimukuyu
chakandinhuhwira zvisingaiti chikamisa
moyo wangu. Ndakarutsa mbabvu dzikasara
dzichirwadza. Ndainge ndaita
zvekuzvambarara pasi cz kurutsa
kwandayiita ndakamira mabvi angu aipera
simba.

Handina kuziva kuti chimukuyu ichi kutadza


kubikwa zvakanaka here kana kuti moyo
wangu ndiwo wakatosvoora hawo.
"Wakatanga rini kurutsa sadza
nechimukuyu" said Mona paive andivigira
mvura mu cup. Chimukuyu che mbudzi
ndaichifarira zvisingaiti asi handina kuziva
kuti chii chaive chaitika apa.

"Handisi kutozivawo mwana wamai"


ndakadaro ndichisimuka pandanga
ndakarara. Ndakachukucha mukanwa
mangu cup yacho ndikayiisa padara.

"Mudumbu hamusi kurwadza here?" Said


Mona ndikati "hamusi kurwadza umu , I'm
fine dea don't worry about me maybe moyo
wangu ndiwo wangosvoora."

"Yeah inotambika chihandei unopedzisa


kudya" akadaro ini ndakanga ndisisina nzara
yacho , kutonzwa kufufutirwa asi ndaive
ndabva kurutsa.
"No Mona nditori right ini ndichadya
mangwana" ndakadaro ndichienda kuroom
kwedu. Ndakasiya Mona na mom vakagara
mumba vachipedzisa kudya.

Ndakatora foni yangu ndikazvambarara


pabed ndikafonera baba taku ndaive
ndavasuwa ini. Yakambotora nguva isina
kudairwa achibva azodavira.

"Babe" said wepa moyo pangu ndikati

"My love , I miss you" i said ndichinzwa


kuda kutomupa rudo akati

"Miss you too babe , ndaive ndatorara


usafone manheru ndinenge ndarara ,
kuneta kani." Haibo ini ndinenge
ndamusuwa ndotadza kufona here? Ndikati

"Are you okay sweetie? Uri kutaurira pasi


pasi uri kurwara here?" Ndaive ndatove
worried zvee cz ndinosiziva achiita
kudaidzisa pafoni.

"Hope kani babe bye ndokuona mangwana


kuya handika" ndikati

"Okay , sleep well" zvikanzi

"You too babe"

Akabva akata foni , ndakanzwa kupindwa


nemhepo ndokunatsa kuzvambarara hangu
pabed. Ndakazongobatwa nehope
ndakadaro ndikarara. Ndakapepuka
kwaedza.

"Melissa,hanzi na mom tigoenda kuhuni"


said Mona achizamura ndikazembera
madziro makumbo ari mu blanket.
"Morning sis , kutanga rini zvee kuti tiende
kuhuni , ndine ma plans angu ini nhasi" I
said ndichikwerera kajira akati

"Wainge wajaira kah kuitirwa na Shupikai,


manje Shupikai akatsamaya uyo ,uri kuda
kuenda kupi?" Ndikati

"Kunoona anorovesa hana yangu I miss him


shaa" zvikanzi

"Hoo , unozongokasika kudzoka toenda"


ndikati

"kuti ndigomarwa neminzwa musango umo


handidi ini." Mona akabva anyarara.
Zvekuteza huni ndaisazvigona ini.

Ndakatora chi bucket chemvura


ndikanogeza. Mama vakamuka vakaita basa
rese vakapedza vakabika. Ndichipedza
kugeza ndakanozora mafuta ndikapfeka ka
dress kangu kaimisa magaro mudenga.
Ndakanopakura food ndikadya asi handina
kunyanya kudya moyo wakanga wakuna
baba taku kare.

"Melissa iwe uri kuda kuendepi wachena


kudaro" said mom ndikati

"Kunoona mukwasha wenyu mom" I said


ndichinotora ka face towel mumba
mandinorara na Mona.ndikabuda panze
ndikaona mama vakangomira pandakanga
ndavasiya varipo.

"Unombotanga wafunga here mwanangu"


said mom ndikati

"Kufungei zve mom , ndaresva here


mukwasha wenyu andisuwa uyu chero ini
ndamusuwawo."
Havana chavakataura ndokurovanidza
maoko avo. Ndakabva pamba ndini uyo
kunomirira baba taku ku road. Ndakafona
akati ava munzira kuuya kunditora.
Ndainzwa kufara kani akanga otononoka
kusvika kwacho.

Ndichingoti baa kuona mota yake ndakabva


ndanzwa kunyaunywa munyama dzangu.
Akasvika achibva abuda mumota
akandinama tsvodi ndokundisimudza
akandigadzika mumota ipo pa mother seat
pacho.

"Wakachena babe. How are you ndanga


ndakusuwa" akadaro achitondikisa
ndikadzorera akandiregedza akati

"Pano hapaiti babe , ngatiende kuya handi"


ndakagutsurira kasoro kangu akamutsa
mota tikaenda. Takasvika pama shops
akatenga tunonaka tikadarikira kuenda base
kwedu kusingafambe vanhu uye kusina
vanotivhiringa.

Takasvika akamisa mota tikanogara ku back


seat akatanga kutondinama nayo kiss
achitoratidza kuti ane nzara chaiyo. Taive
tasangana tese vane nzara ndakanga
ndamusuwa zvisingaiti.

Handina kumirira kubviswa hembe


ndakabvisa ndega kuzasi kwakutovhutira
chaiko kuratidza kunonokerwa. Takaita
romance ndikapera basa achibva azoti
pfeee sabhuku wacho imiwee moto
wekwani ndakairidza mhere yekunakirwa
chaiko.

Rume guru raifemera pamusoro ini gotsi


rangu raive ratoti papata kuoma chaiko
murume aiziva zvanoita mhani uyu apana
corner isina kusvikwa kwese kwaiita
kurohwa rohwa.
Akazopedza ziya raita zvekuti churururu
kubuda. Ndakatora nguva ndakati rabada
kudaro baba taku ndiwo akazotondipukuta.

"Tonde ka handimbofe ndakakusiya ini" I


said ndichimuka pandakanga ndakarara
akati

"Sure here? Kunyangwe ini handikusiyi


Melly" said baba taku achipukuta ziya
ndikazopedzisa kumupukuta , ndinaye zviya
ndaifarira kumuti tonde aiva asina
kumbonyanya kukura kungoti kwandiri
anenge achitonzi idhara iko katori kajaya.

"Ndakuda kugara newe ini tigare


tichifadzana , I love you tonde uri pakati
pemoyo wangu shaa" ndakadaro
ndichizembera pa chest yake akatanga
kupuruzira musana wangu.
"Don't worry babe ndinoda umbokura
handiti tichagara tose hedu" akadaro
ndikatadza kuziva kuti kukurei zvee ini
ndakura aida ndipfuure ipapa here?

"Tonde unoda ndikure kusvika papi , Inga


ndakura wani zvekugara kure newe
handichadi ini." Ndaitorevesa. Kumuda
kwacho kwaive kwapamhidzirwa chaiko
akati

"Melly mudiwa wangu , hausati wakura iwe


kuziva sex hakusiko kukura babe wangu.
Ndinoda kuzogara newe kana wakukwanisa
kutakura mwana now uchiri mudiki anogara
papi mwana wacho."

Akadaro takagumhanisa huma dzedu


tichibva tambotsvodana ndikati

"Asi wave nemukadzi kumba kani sei uri


kuramba kana kuti uri kuda Mai vangu."
Ndakadaro achibva anditarisa mumaziso
chaimo akati

" Ndakakuudza wani kuti mukadzi


akandiramba , amai vako handimbovade ini
ndinoda iwe babe ndiwe unondiitira
atingomirira nguva chete handika" akadaro
ndakagutsurira musoro.

Kutaura chokwadi ndakanga ndoda kugara


naye ini , zvekugara kure naye zvakanga
zvakubhowa. Tonde akatora zvakanga
atenga tikadya zvedu tichimbodyisana.
Ndina tonde ndainzwa kuti zvakanaka kuva
pano dai zvaibvira ndaienda naye kumba
kwake.

Ndichipedza kudya ndakanzwa kuda kurutsa


ndikavhura door fast ndikabuda panze
ndokutanga kurutsa. Tonde akabuda
mumota akauya kundibata kusvika
ndapedza kurutsa.
"Babe uri kurwara here?" He asked ndikati

"No , usavi hwandakadya madeko hauna


kundiitira." Zvikanzi

" Hoo unondityisa babe wakunzwa bho


here?" Ndikati

"Yeah ndabho." Akabva arongedza zvinhu


zviya ndakanga ndisingachadi kudya.
"Atipamhe futi tidzokere hedu" akadaro
baba taku tichibva tabata futi basa , apa
ndakanga ndisisina simba ndichibva
ndatorara.

Ndakazomutswa na baba taku achiti


"chimuka babe , ndakuda kuenda"
ndakatarisa ndikaona titori pandinodzikira
so aive adriver hake ndakarara.
Ndakadzika ndikatora zvinhu zvangu ndikati
"byee my love" akati "ndozokuona babe
usare bho" ndikati "sharp" akabva amutsa
mota akaenda. Ndakafamba munzira mese
ndichikotsira zvekutomboda kudonha
chaiko.

Hope dzakazopera ndanzwa hohoho yaiva


kumba sezvo ndakanga ndatova padhuze
nepamba. Bopoto iri rakandirovesa hana
yangu ndikabva ndafambisa kuenda.
Ndakavanda nemakwenzi ndikanzwa voice
racho riri remurume ndikanatsa kutarisa
kumba uko kuti ndione munhu wacho kuti
ndian ndikaona hezvoo ndi...............

*End of chapter*
*Love you all guys *

[27/08, 17:48] +27 62 114 1536: Follow this


link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/CyDcA71MNZp
APP2PnlFqjG

*POOR SHUPIKAI*
*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 15*
*KIMBERLY*

Hanzi chokwadi chinorwadza ndizvo


zvakaitika apa. Ndakanga ndaudzirirwa na
Rea zvekuti ndakapera simba ndikagara
muvhu chaimo. Kundiudza zvemagaro angu
akazara mvura kunga akambomabata. Asi
ndaiona kunga ndanga ndaudzwa chokwadi
cz magaro angu akanga akunyanya kutamba
tamba zvinobhowa , chero mvura iri mu
paper bag inosara pasi but aive asina
kumbonyanya kukura.

Iye Delly waaiita kundisvotesa naye ndaive


neshungu yekuda kumuona chaiko aita
kupengesa Rea kudaro. Ndakasimuka
kuenda kumba handina kuzoenda kumba
kwavo sezvo ndakanga ndatomuona.
Ndakati kusvika pamba nekutonanga
kuroom kwangu. Ndaive ndofunga zvekuita
manje.

Kungosiya Rea achienda here just like that


no mhani. Plan ndoyandakanga ndofana
kuita apa , kungwara ndiko kwakanga
kwakudiwa.

Ndakafunga kuenda kumba kwa Dudu


zvimwe aigona kundibatsira. Ndakatora foni
yangu ndikatarisa number dzake. Zvisinei
ndakadziwana ndokumufonera. Haana
kujamuka akabva ati ndiuye kumba kwake.

Ndakapinda mubath ndikageza ndokurova


ka smart kangu bho bho. Zvekuchena
ndizvo zvaiva zvangu. Ndakapfeka ka skirt
kainatsa kubata magaro kuti asanyanya
kutamba tamba kwakarehwa na Rea kuti
akazara mvura.

Ndaisada kuonekwa namom ndichibuda.


Ndakabva ndati svere svere nemadziro
ndichinyahwaira , uku ndichicheuka cheuka.
Ndichingoti ndibude gate ndokunzwa.

"Ukaita seuri kuda kuba chii?" Vakadaro


mom ndikabva ndapusa. Vaive vandiona ini
ndaisada kuonekwa. Ndikati

"Hapana Mama , ndichambobuda" i said


ndichigadzirisa chi bag changu izvo kwaiva
kunyara.

"Saka chauri kunyahwaira ipapa chii?"


Ndikati

"Mama kani zvambodii ndanga ndisingadi


kuzara tsvina" ndakadaro ndichinyepa
vakanga vakutondinonotsa futi zvikanzi
"Kutumbinika kwauri kuita ikoko kuchapera ,
kana uri kutaimira Rea gara warega hako ,
dzoka ugare pasi anovava here magadziko
acho ausingadi kutsveta pasi."

Kutaura kwa mama vakanga vasingachadi


kunzwa nezva Rea. Kunga kusada
mukwasha akanaka kudaro ndikati

"Zva Rea ndakasiyana nazvo mama handisi


kutomboenda ikoko ini" vakati "oky
kungokuona chete uchimunetsa
ndinokubinha. Siya mwana wevanhu
azvifarire angatoshaya mufaro nezvinhu
zvisina basa chero kumba kwavo andidi
kukuona uchigurako zvokwadi kungokuona
unondiona hako. Dzikama usiye utesvu
tesvu utsvage anokuda uri kundinzwa
here?"
"Okay mama ndazvinzwa" ndakadaro
vachibva vapinda mumba. Ndakatopererwa
ndikatura mafemo chaiwo ndikabva
ndaenda kunokwira mota. zvino ndodiniko
ini mama vakutoratidza kutosvotwa nazvo
ndaisafana kupererwa zvekudaro.

Ndakasvika kuma combi ndichingozvinetsa


chaiko. Ndakaiwana ndikakwira ndikaenda ,
kwakanga kusiri kure kungoti zvemu town
unenge uchitoti kure nekusada kufamba
netsoka. Ndakaburuka ndikaenda.
Ndichisvika ndakabva ndapinda mumba
ndikananga kuroom kwake straight. Hapana
chandaiudzirwa pamba pana Dudu zvese
ndaizviziva. Ndakawana Dudu akatorara
hake nemanhede asina hembe yekumusoro.
Zvakabva zvandifungidzisa mazuva
andaidanana naye ndichipuruzira hairy yake
iyo yaive yotondinzwisa moyo wekuda
kutomubata. Ndakanatsa kuitarisa kubva pa
chest pake ichienda kwazvakarehwa ikoko.
Ndaibva ndafunga kutakura kwakaita
mubhurugwa make. Hama kah ndaive
ndotofunga parefu kudaro.

Kurara kwa Dudu hameno dzaiva hope here.


Ndakagara pabed pake ndikabva
ndamurova kambama padama achibva
amuka. Akatomuka achiita kuvhunduka
maziso ake achitoratidza kuneta neta.

"Kurara rudzii nhaiwe" i said ndichi smiler


ndakamutarisa , akamuka ndokugara akati
"wandivhundutsa shaa ndanga ndarara ini
hope dzacho dzinombotana kubata here
kunotonhorera kudai" akadaro achipukuta
kumeso kwake ne towel ndikati

"Yeah ka weather kacho kanonzwisa hope"


ndakanga ndoshaya pekutangira nyaya
yangu. Iye wacho akabva abvunza kuti
"wanga uri kuda kubatsirwa neiko?" Said
Dudu achiuya kugara mujinga mangu
ndikanzwa ropa rangu kupisa chaiko.

"Nyaya ya Rea shaa , I need your help


ndodii ndinomuda zvekuti." Ndakadaro
tichibva tatarisana sezvo takanga takagara
takagumhana , achibva aswededza musoro
wake pandiri ndikangozonzwa
ndakutonamwa kiss. Aive amwa doro Dudu
uyu ndakanzwa mukanwa make
muchinhuhwa doro ndikada kumupushira
kure asi ndakatadza nekuda kwekuti akanga
atondibata zvine simba.

Ndaishaya kuti why maziso ake akatsvuka


izvo doro rakanga ramwiwa. Ndaive
ndongodaidzira kuti Dudu usadaro asi
ndainzikwa naniko ndaitaura ndega aitoti
pandinoshama muromo kuti nditaure aibva
atoisa rurimi rwake mukanwa mangu.
Ndakadzimara ndakutodzorerawo
nekunakirwa kwandakanga ndoita. Ka bag
kaiva muhuro ndakakandira kure
ndokunatsa kubata Dudu muchiuno
zvakanaka. Akabvisa trouse rake nini ndaive
ndatobviswa kare. Murabaraba wake
wakatanga kundibaya baya ndikanzwa kuda
kutoti achiita. Haana kuzoita nguva
achindikisa akabva atanga kuita basa.
Amana Dudu aiva nemushini muhombe
zvekuti kana uchitya unogona kutotiza
chaiko kuri kutya kuti ndinofa nayo.

Akabata basa mwana wevanhu maybe


zvakanga zvakuti nekudhakwa kuya. Saka
kureva kuti Dudu akanga atondirongera
hake nguva yandakanga ndafona iya
kwakutonwa doro kuti abvise nyadzi. Zvese
izvi ndakazvifunga atopedza kare. Ndainge
ndaratidza ku cheaper kuna Dudu veduwe
kunyangwe takambodanana ndaisafana
kudaro mhani.
"Iwe Dudu , chii chawaita" ndakadaro
ndichibvunza achibva ashanduruka kutarisa
kwandaiva apa akanga asati apfeka futi
hembe dzake ndakanga ndonyara ini. "Saka
uri kunyara chii? Hauizivi here iyi watanga
kuiona nhasi here sha ndangoda kupedza
nyota yangu ndaisatoda kukubata ini"

Ndakanyangadzwa nekutaura kwa Dudu ,


Saka ini ndini wekupedza nyota yake nhai
ndaida kumutuka asi ndakabva ndazvidzora
sezvo ndaida help kwaari. Dai zvisizvo
ndaimufenura zvekuti.

"Chindiudza zvekuita ndiende hangu handi


zvako zvaita here? Yaperaka nyota yacho
zvawaida" kwakanga kwakutaura kwe
munhu abhoikana akati "usada
kunditsamwira shaa handina kana
kunakirwa kwacho sha"
Ndakada kuridza tsamwa ndokunyarara
hangu , Dudu aida kuonererwa mhani
sandizvo zvandakanga ndafambira ini
zvekuudziwa zvisina basa. "Ndazvinzwa
Dudu ndakuda help yako ndione kuenda
hangu , ndati ndoita sei kuti Rea andide"
ndakadaro ndakutotambisa nemaoko kuri
kusvotwa , zvakanga akundiudza izvo
ndezve kugotsi kwa tsuro , sei achida
kufarisa nezvinhu zvisina basa.

"Kana asingakude siyana naye ka nhaiwe


chii chinonetsa , uri kupedza nguva yako
ane waari kuda uyo" ndakaridza tsamwa
yandakanga ndisingadi kuridza achibva
amuka achitoshamisika , ndakasimuka
ndichingoti ndibude door ndakabva ndati
dzvii kubatwa ruoko.

"Ndisiye mhani ndoda kuenda uri mukunye


wemunhu" ndakadaro ndanyangadzwa
ndizvo zvakanga anditi ndiuye agondiudza
zvisina basa kudaro. Ndakada kumuvhara
mbama asi ndakazotya kurohwa ko simba
racho ndaimbova naro here.

"Iwe hure iwe wati kudii?" Said Dudu


ndikati "ndati uri duzvi iwewe , mbwende
chaiyo" hasha dzandakanga ndakunzwa
ipapa dzakanga dzisina kumira zvakanaka
but zvekuita ndakanga ndisina.

"Wakapusa stereki aita mbwende ndian ini


newe , iwewe ndiwe mbwende uri kuda
munhu asingakude.unoda kutondishushira
zinhu rako rinoshata kudaro dai rainaka
zvaiva nani"

"Kwaaaaa" ndakazongoona
ndamukwapaidza mbama ndikada kutiza asi
andina kupukunyuka mumaoko ake
ndikatanga kuchema ndakutya kutorohwa
zvaizobuda here kuenda kumba
ndakazvimba. Ndakachidemba
nechandanga ndamufonera kuti andibatsire
kumwe kusakwana so.

"Kimberly unotembei chaizvo une shuwa


kundisimudzira iko karuoko kako ikako
kanenge ketsoko kudaro. Handimbokurovi
ndingatokukuvadza ini."

Kuda zvinhu kwangu uku kwakanga


kwandisvitsa pakaoma. Andina kudaira
ndikaramba ndakanyarara , moyo wakanga
watove kumba. Shuwa kubva kumba kuuya
kurarwa inga zvakaoma. Asi ndiye akanga
andidenha achindiudza zvisina basa iye
arara neni kudaro.

"Ndikaita mimba unondiona ndauya pano"


ndakadaro kupiko kwaiva kuda
kumutyisidzira ndaida kumwa ma piritsi
ndichingosvika kumba. Ndingaitira benzi
irori mwana kuti ndarwara here. First born
yangu ndinoda ive mwana wa Rea. Dudu
akatanga kuseka kunga kusekera svoto
ameno kwaiva kuseka rudzii zvikanzi

"Washaya nyaya here unongobvisa kah


sezvawakamboita paya." Ndikati "andibvisi
andisi ku jocker newe ini" akati "ari
kutamba wacho ndian , hauna kukwana
kimbi ndaikuda zvekutorevesa ukauraya
mwana wangu asi uri kabenzi kemunhu
wave wekungopedza nyota iwewe kwete
kuti unenge uchindinakira haa kana
wangu."

"Dudu , nofunga pandakunyara pakwana


wanzwa, handizvo zvandavinga pano ini
unondiudza zvekusanaka kwangu koiwe
zinhu rako rakangokurira mahara hapana
zviripo apa" ndakadaro ndichimunongedza
ndikazvibvisa mumaoko ake ndikamira
ndega ndikati "kudanana newe
kwandakamboita kwakanga kuri
kwekushingirira hapana chaunoziva iwe Rea
ndiye andinotoda ane moto mubhurugwa
kwete iwewe ndapedza newe pane
chauchada here?" Ndakadaro
ndichimurwadzisawo asi kutaura chokwadi
aiziva hake zvaanoita ndaingoda
kumukaurisa chete.

"Tarisa mudenga umo" akadaro Dudu


ndikamhanyisa maziso angu kutarisa
mudenga macho veduwe ndakapera simba
ndichiona muine camera. Ndakabva
ndagara pasi chaipo. Dudu akatanga kuseka
achinogara pabed ndikashaiwa zvekuita ini.
Saka kuita mutambo kwatakanga taita zvese
zvaitorwa ne camera ndakanzwa kutsva ini
ndikatanga kupukuta ziya.

"Une dzungu kimbi ndinoda kukutamba


yakapenga , wakanyanya kuita dununu uri
dahwa chairo." Akanga ongoswera hake
kundingwaudza asi ndakanga ndapera kare
ne fear kunzwa kubatikana chaiko saka aida
kuzopa Rea here video racho handina
kuziva ini ndakabva ndadzikama dzungu riya
kupera kuti tsvai.

Ndakaramba ndakatarisa ka camera aka


ndikanzwa kurwadziwa zvakanyanya zvese
nekusvotwa ,ndikati " please Dudu zvandiri
kufunga ngazvisava izvo zviri mupfungwa
dzako , saka uri kuda kudii ne video iroro." I
said ndakapora misodzi ichiswinya kuda
kutobuda akati "zvauri kufunga ndizvo
zvandiri kuda kuita" ndakabva ndati bhii
kudonha pasi. Kaiva kadzungu kakanga
katondibata ipapa ndikangoona ndatova
pasi. Dudu akatanga kundiseka kuita sekuti
zvainakidza. Zvikanzi

"Ukada kufarisa ndinoripa Rea video iroro


oriratidza mai vake handi vanokufarira
zvisingaiti vasingazivi mabasa ako." Akadaro
ndikapfugama pasi ndikati "Dudu please
forgive me ndatadza hangu unoda
ndizonyarirepi? Taura hako zvaunoda
ndikuitire?" Ndakanga ndisisina choice
kunze kwekuita zvaanoda zvacho.
Chandaitya video racho raigona kuzosvika
kuna mhamha ndikaitwa chimwe chimwe
namom kuzoti mudhara andichataure
vanondiremedza chaiko.

"Sure sure unokwanisa kuita zvandoda


here?"said Dudu ndikati "ehe " pane
pandakanga ndichadiiko iro video ritoripo
zvaro , ndakanga ndatambwa yakapenga
veduwe. Zvikanzi "pandinenge ndanzwa
kuda mukadzi ndinokufonera wouya shaa."
Said Dudu achitorevesa ndikati "hapana
zvimwe here izvi handikwanisi hangu" akati
"iwe shaa handi ndizvo zvandiri kuda here?
Babe rangu riri kunze kwenyika shaa saka
andina wekuita mukadzi shaa iwewe wave
wekungopedza nyota yangu asi handikudi
usazozvinyepera kuti ndinokuda haa izvozvo
bodo handi wati unoda Rea saka na Rea
tinenge tichitodya tese kana azokuda
ameno ndirini pauchadiwa."

Akapedza kutaura ndakutochema.


Ndakazwa moyo wangu kuenda kure
kure.akanga andigona hake Dudu asi
zvaindidzimba chaiko. Handina kuda
kuzoramba ndiri mumba make ndakabva
ndatobuda ndikaenda. Ndakapukuta
misodzi ndikafamba kuenda kuma
combi.kusina kure kwandasvika ndakaona
atevera nemota yake akati

"Pinda ndikuperekedze ndakunzwira tsitsi"


ndakada kuramba asi ndakaona kuti
azvichinji zvakanga zvataurwa Dudu izvi. Asi
ndainzwa kumuvenga mumoyo mangu.
Ndakapinda achibva adriver tikaenda. Ndaiti
ndikamutarisa ndainzwa kurwadziwa , Dudu
ane hutsinye veduwe ini kana
kumbozvifunga zve camera yaiva mu room
make. Ndaisiziva musina chinhu ini.
Ma feelings angu akanga andiisa paruma
nzombe chaipo. Akandisvitsa pa gate pedu
achibva adzokera ndikapinda gate
ndokuenda mumba. Ndichipinda
chandakatanga kuita kunwa mapiritsi.
Ndikazvikandira pabed kwakutanga
kuchema. Mama andina kuvaona ameno
vaivepo here kana kuti vakanga vabuda.
Ndakachema kusvika hope dzandibata
ndikarara.

*REA*

Ndaitorota hope ndina Delly wangu


ndikazopepuka ndakuda kumupa kiss ende
ndakabhoikana nguva yandakamuka.
Mwana ndanga ndamuda zvekurevesa ini.
Ndakazamura ndikamuka mumachira
ndikapinda mu bath kugeza ndaida
kuzonoona Delly. Zvaisaita kuti ndibve
kumba kwavo ndisati ndakanda shoko uhm
hazviiti handingadzokeri kumba
ndichikuvarira mukati ini.

Ndakapedza kugeza ndikangopfeka hembe


dzepamba ndikanodya breakfast.
Ndakawana dad na mom vatopedza zvavo
kudya ndikambotaura navo nyaya. Mama
havana kuda kundiudza zvisina basa
sezvavanosiita.

Ndakadzokera mumba mangu ndikagadzira


pabed ndikapfeka hembe dzangu dziri bho.
Ndakatora makeys angu emota ndikabuda
hapana wandakaoneka. Ndaka driver
kunanga ku town chaiko. Ndaida
kumutsvagira fon yekuti ndizotaure naye.
Ndakasvika ndikatenga yaiva nani , handina
kuda kutenga yakakura cz aigona
kuzoiramba.

Handina kuzomirisako ku town ndikananga


straight kumba kwana Delly. Ndaiterera
zvangu music yerudo ndichienda kudaro.
Zvisinei handina kutora nguva yakareba
ndaive ndasvika. Pamba pavo ndakanga
ndisingadi kusvika cz ndaitya gogo kuti
vanozondifungira zvimwe.

Ndakamisa mota ndikabuda ndokumira


zvangu ndakatarisa pamba pavo.
Ndakazomuona achimirizika panze
ndikaridza kamuridzo ende haana kunonoka
kundiona. Ndakabva ndatomudana neruoko.
Akauya achisekerera hake mwanasikana
hameno aifarirei hake.

Ndaitonzwa kuda kumupa hug ipapa asi


ndakazvidzora ndaigona kuzozviruza. "Hesi
Dee" ndakadaro ndichi smiler akati "ndiri
bho kwakanaka here kwaunondidana
kuseni kuno" ndakanga ndanyanyawo
kukasira kuuya. Ndikati "kwakanaka Dee
kungaipei zvako."

Ndakamuvhurira door achibva apinda aive


atogeza akatotsvukira ndikamedzera mate
ndichinzwa achinhuhwirira. Ndakagara
padhuze naye ndichida kumuzembera
akabva aswedera kure neni.

Handina kuda kuzoramba ndichiita zvisizvo.


Kumutarisa kwandakanga ndakaita ndaibva
ndaona runako rwake rwese. Delly akanga
asina kumbonyanya kuita mutema ganda
rake raitotsvedzerera chaiko.

Nyadzi dzakanga dzina Delly dzakanga


dzakanyanya ainyara hake asi ane nguva
yekuti anombovarairwa akanditarisa
handitozivi kuti anenge achifungei.
"Ndakutengera foni Dee usandiudza kuti
hauyide." Ndakadaro ndatobata ruoko
rwake. Akanga achida kutorubvisa
ndikarubata nesimba akati "ndakati handiidi
ini sei usinganzwi" ndikati "usadaro Dee
why usingaidi."

"Handina wekutaura naye ini" akadaro


achitarisa divi ndikabata dama rake kuti
atarise kwandiri achibva ashamisika
nezvandanga ndaita ndokutsikitsira huso
hwake ndichibva ndabata futi chirebvu
chake tikabva tatarisana. Nguva iyoyo
ndakanzwa ropa rangu kumhanya
zvakanyanya tikaramba takatarisana.

Ndakanga ndochida kukanda shoko manje.


Delly nguva iyi hana kuratidza kunyara aive
akutoyeverwa akanditarisa kudaro ndikati
"foni yandakutengera ndeye kuti titaure
Delly" ndakadaro ndichisiya chirebvu chake.
Akangonditarisa achibva atarisa side pasina
chaataura. Ndaida kusiya ndamupa mari
yekuti agosara achirukwa musoro ndaida
kuzoenda naye ku church kana Sunday
yasvika. Ndakabva ndatobudisa mari yacho
ndisati ndakanganwa ndikati

"Mari iyi ugorukwa musoro , ndoda


kuzoenda newe ku church kwedu" akavhura
muromo wake zvekushamisika zviya ndaive
ndatopedza naye ndikati "tanzwanana here
Dee" akati "ndanga ndisingadi kurukwa"
ndikati "inini ndini ndinoda urukwe" haana
kuzoramba achiita nharo ,munhu wacho
aitonetsa chaiko aitoda moyo murefu
chaiwo.

Moyo wangu wakanga usisina kugadzikana


nekuda kutomuudza mazwi anorovesa hana
ndikabva ndabata ruoko rwake ndikati
"Delly , ndinoda kutaura newe takatarisana"
akati "ingotaura ka ndinonzwa" ndikati
"ndinoda kutaura ndichiona maziso ako
nema dimples ako" akaseka achibva
anditarisa ndikati

"Good , moyo wangu hausi kuzorora


nekufunga Delly" ndakadaro achibva
atsikitsira hameno aiva apabata here paiva
nenyaya yangu akati " kufunga chii? Sei
uchitaura zvandisinganzwi" aitoda kunatsa
kujekeserwa chaiko ndikaswedera paari
ndikati "I love you babe , Hana yangu
inorova kana ndigere newe kudai"
ndakarovera moyo padombo ndikamuudza
ini.

Akasimudza musoro wake achibva anditi


ndee mumaziso chaimo ndikaramba
ndakamutarisawo achibva atanga kubudisa
misodzi. Maziso ake hana kumanzvengesa
pandiri ndokuramba achibudisa misodzi
ndakanga ndave confused ini kusaziva kuti
ari kuchemei. Moyo wangu wakabva
wotorwadza ndikati
"Ndaita sei? Ndakutuka here Dee?" Haana
kudaira achibva atarisa pasi achingobudisa
misodzi. Akada kuvhura door kuti abude but
ndaive ndaka locker akatadza kuvhura.
Ndakanga ndisingachazivi kuti chashata chii.
Ndaisada kuona misodzi yake ini
ndikamupukuta but haina kumira kubuda.

"Please Delly taura neni uri kurwadzisa


moyo wangu pane chandatadza here
ndipindurewo" akangodzungudza musoro
wake ini ndaive ndakutopererwa chaiko.
Kumuudza kwandakanga ndaita kuti
ndinokuda kuti zvingava izvo zvaaichema
here andina kuziva ini. Pfungwa dzangu
dzakanga dzakutovhiringika chaiko akati

"Ndokumbirawo kuenda" akadaro neka


voice kainzwisa tsitsi ndikati "okay asi
ndakutuka here Dee" akati "ayewa ndoda
kuenda" eish hana yangu yakanga yakurova
nemaitire aDee zvakanga zvakutondityisa ini
ndikademba nechandanga ndamuudzira
izvozvo.

Ndakavhura door racho achibva abuda


ndikati "wasiya foni Dee , dai wandiudzawo
chandatadza nditi sorry hangu uri
kundirwadzisa" akanditarisa hana yangu
ikarova akanditarisa kudaro akati "hapana
chawatadza foni dzoka hako nayo
handikwanisi kutora" ndakarwadziwa kani
Dee achindiudza izvozvo achipukuta misodzi
yake achibva afamba kuenda ndikasara
ndakatarisa gotsi rake kusvika apinda gedhe.

Ndakaita sendichachema ini nemadire


andinoita Delly veduwe ongochema pasina
chandatadza hacho. Chero kumuti tora
nguva yako uchifunga nezvazvo handina
nekuzozvitaura nekuda kwekuchema
kwaanga oita.
Stress ndiyo yakandibata nguva iyi ndikabva
ndazembera seat ndikatarisa mudenga
ndichifunga zvakanyanya.Delly anga
arwadzisa moyo wangu kungochema
zvandisingazivi dai akanga andiudza hake
zvaiva nane. Ndakatura mafemo
ndikamutsa mota yangu ndikaenda.

Kwaiva ku driver hangu asi ndaitonzwa kuti


musoro wangu hausi kuita zvakanaka
ndikabva ndadzora speed. Kuzoshata
kwazvo akanga aramba futi uhm amana
Delly usandidaro moyo wangu uri kutsva so.
Ndakadaro ndega ndichiita sekuti
ndakagara naye mumota imomo. Mari
ndiyo yaakakwanisa kutora chete
yandakanga ndati agorukwa.

Ndakasvika kumba ndichingofunga chete


pasina kana chabuda chandingakwanisa kuti
ndiite. Ndakapinda mumba ndikasvika
kugara pabed. Pasina zvinguva ndakanzwa
knock padoor ndikanyangadzwa chaiko cz
ndakanga ndisingadi kutaura nemunhu
nguva iyoyo.

"Rea urimo here?" Ndakanzwa riri voice ra


mama ndikanovhura ndakanyarara vachibva
vapinda vakaita kunditarisa chaiko vakati
"uri kurwara kani?" Ndikati "no mama"
ndakadaira ndisiri kana kufara , ko mufaro
wacho wakanga uchabva papi inini
ndakanga ndachemerwa newandinoda.

"Uri kuita seuri kurwara ka why wakaneta


neta kudaro." Vakadaro mama ndikati
"hapana mama taurai zvamuri kuda ndoda
kurara ini." Ndakadaro ndichibvisa bhutsu
dzangu." Maid ndamuti agadzire favourite
food yako hande unodya mazuvano uri
kuita kakudzikira mwanangu" vakadaro
mama. Handi ndivo vaindiondesa nenyaya
yavo ya kimbi. Handina kuda kuvaudza
hangu izvozvo ndikati "ngazouya nefood
yacho kuno." Ndakadaro vakati "okay"
vakabva vabuda ndikasara ndichikurura
hembe ndikasa ne short chete
ndikatozvikandira pabed.

Mumusoro mangu makatanga futi kuuya


Delly. Kuchema kwakanga aita zvakabva
zvauya mumaziso angu , asi ndainge ndaita
seiko zvaita Delly acheme. Mashoko
andainge ndamuudza pamwe ndiwo
amuchemedza ko ndichazivei ndainge
ndongofungirawo ini.

Ndakazonzwa nock ndikaziva kuti ndi Lizzy.


"Pinda shaa" ndakadaro ndichitomuka
kugara pasi. Akati achingopinda achibva
ashama muromo wake ndikat "hindava
kushama muromo kudaro kuita
seuchapindwa nenhunzi." Ndakadaro ka
ndichitotadza kuziva chaita ashame kudaro
achibva ati "hapana" akadaro achitsveta
food akatotarisa pasi hake. Ndakabva
ndafunga kuti handina hembe ndingori
nechi short chete ndakabva ndaseka hangu.
Saka ndizvo zvaaive avhunduka izvozvo
ndikati

"Sorry Lizzy ,ndiri kunzwa kutsva


ndiregererewo ipapo" akangoti okay
achitobuda. Kuti akanga anyanya kuoneiko?
Ndakabva ndazviringa ndikaona kuti
bhurugwa rangu harina kufuta wani
ndakabva ndasiyana nazvo pamwe
mamvere angu aiva mudumbu ndiwo
akamuvhundusa.

Chikafu chacho ndangonyobvora


kwakutosiya. Zvakanga zvisingadyiki
ndichifunga Delly wangu. Kuti
achazotondiudzawo kuti anondida here
mwana uya kwaiva kungozvinetsa
mupfungwa dzangu.
*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:49] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/CIohfBgvjec7Y
wpQnu3e1l

*POOR SHUPIKAI*
*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*Chapter 16*
*DELIVERANCE*

Ndichingopinda mu room mangu ndakabva


ndatanga kuchema futi. Mashoko aRea
akabva adzoka futi kutenderera mu brain
dzangu. Ndakavhunduka ini achindiudza
kuti anondida.handina kumbobvira
ndafungira kuti angazondiudza mashoko
akadaro.

Aindida pachiiko nezvandiri zvino. Ndaiti


itsitsi dzake zvee kuda kundibatsira izvo
kana aitovawo nezvake mupfungwa dzake.
Munhu anowana kudaro kwakudawo
Deliverance hake atori nenhamo inonhuwa.
Akanga ashaya wekuda here Jehovah
ndakabva ndatanga kuchema futi kuita
sendicharidza mhere.

Ndakatenderera imba yese ndichifungisisa.


Pfungwa dzangu dzakanga dzisingachatori
zvakanaka. Ndiyo yaitova first time yangu
kunzi ndinokuda nemukomana.

Nemanakiro akaita Rea kwakutadza kuva


nemusikana here ipapo ndakabva ndaona
kuti Rea ari kuda kutamba nepfungwa
dzangu zvino akanga atambira kusiko mhani.
Zvekuitiswa inini handitozvide. Chakanga
ayemura pandiri ndakachishaiwa. Ndakabva
ndafunga mashoko agogo avakati
vemakirasi vanonetsa. Musoro wangu
wakanga wakurwadza
chaiko.ndakazovhunduswa nagogo vachiti

"Wakupenga here?" Vakadaro vakamira


padoor kusvika kwavo ndakanga ndisina
kukuona ndaiti vanonoka kudzoka
kwavakanga vaenda. "Ndadii gogo"
ndakadaro ndichigara pamubhedha vakati
"chauri kutenderera neimba yese
seunopenga chii?" Saka gogo vakanga
vatoona zvese ndikabva ndapusa. Ndikati

"Hapana gogo" ndakadaro ndichishaya


zvekunyepa , zvaisataurika kuti Rea ati
anondida ,gogo vakati "handisi benzi Deri
ndamira kare pano ndikakuona
uchingotenderera zvisina sitaira."
Ndakatanga kuruma ruma muromo wangu
ndikati "gogo musazvinetsa henyu hapana
apa."

Ndakanga ndopusisa mbuya huru veduwe.


Gogo vakanga vatoona kuti pane zvaitika asi
kuti ndakanga ndisingadi kuvaudza vakati
"haungati hapana zved iwe wanga uchiita
sebenzi ipapa , pane akutuka here? Pane
akurowa here?" Vakadaro gogo vachida
kunatsa kunzwisisa ndikabva ndavati ndee
ndikaona vari serious chaiko ndainge
ndotya ndikatanga kuhuta ndikati "hapana
gogo" ndakadaro ndoda kutochema Rea
akanga andiparirawo uyu nemashoko ake
akandivhundusa ndikaita sendakutopenga.

Ndakaona gogo vakukurura bhutsu yavo


kuda kundigwenya musoro wangu ndikabva
ndazviunganidza kuri kutya. "Deri nda
munhu mukuru ini saka uri kuti handioni
here kuti pane chaitika. Vakomana vaya
vakuvhiringa here zvimwe uri kutya
kundiudza chitaura tinzwe." Gogo
vaitofunga kuti ndaona vakomana vaya izvo
ndi Rea hake ndikati

"Nyoka yandaona yandityisa gogo handisati


ndakamboiona ini." Ndakadaro ndichinyepa
maida ndidii ipapa ivo gogo vakanga vatova
serious.vakati "yakaita sei? Pane
yakamboonekwa pa next apo yaityisa."
Vakadaro gogo vachipfeka chibhutsu chavo.
Ndikati "iyoyo yandaona ndapotsa
ndafenda gogo maigona kuzotondiwana
ndatova chando yanga ine misoro miviri."

Ndakanyepa kani kuita kuwedzerera kuti


zvityise. Ndakaona gogo vachibudisa maziso
vakati "misoro miviri?" Vakadaro
vachishamisika ndikati "eh yanga iri tema
gogo kutaura kudai ndichiri kutya ini ndiri
kutoita sendiri kuivona" ndakadaro
ndichivhara maziso angu semunhu ari
kutyawo zvee. Hapana zvandakwanisa
kuitawo kunze kwekunyepa. "Sakei wanga
uchiita sebenzi haungatadzi kutya shuwa
saka yaendepi?" Ndikati "andina kuzomirira
kuona kwayaienda asi yanga yakatarisa
uko" ndakadaro ndichinongedza ,gogo
vakanga vatobvuma kunyeperwa veduwe.

Vakabva vatoti ndibike ndikaenda ku


kitchen kunobika. Ndichibika kudaro
ndaingofunga nezva Rea chete chete
ndichigaya kuti anondida zveshuwa here.
Answer ndiyo yandisina kuwana
pakuzvibvunza ndega kwandanga
ndaita.ndakabika ndikapedza tichibva tadya
hedu.

Ndichipedza kudya ndakabva ndasuka


mandiro tikaenda kumusika nagogo.
takatengesa kusvika nguva dzekubika
dzakwana tikarongedza ndokudzokera
kumba.

Ndakabika chikafu chemanheru asi pfungwa


dzangu dzaipota dzichimbofunga Rea. Kana
aindida ndaizozviona hapana chisingaoneki.
Kutaura chokwadi kana ndakagara zviya
pane zvandinotonzwa kunyanya
paanondibata ruoko rwangu paya pane
zvandinotonzwa munyama dzangu. Ndine
kakumufarira kandisingatonzwisisi so
kutoda kuramba ndiinaye.
Ndakazopedza kubika tikadya sadza
remanheru. Ndakarara ndakasuka mandiro
angu ndaida kuzongomuka ndichi cleaner
mumba. Takaparadzana nagogo
ndikanonorara. Ndakanamata ndikapinda
mumachira. Ndakada kurara asi hope
adzina kuuya kana kamwe , pfungwa
dzangu dzakanga dzangova kuna Rea
veduwe. Ndaiti ndikatsinzina kudai ndaibva
ndatoona Rea nerunako rwake. Ndakanga
ndakutopenga ini hameno ndakazobatwa
nehope nguvai.

Ndakanonoka kumuka zuva iri nekuda


kwekunonoka kurara ndichifunga zvisina
basa. Ndaka cleaner ndichibva ndazoenda
kunogeza. Ndakaoneka gogo ndikaenda
kubasa. Ndakasvika ndikaona door risina
kuvharwa kuratidza kuti paiva nemunhu.
Andina kuziva kuti ndianiko akanga anonoka
kuenda kubasa iyeye sezvo nguva dzacho
dzakanga dzatoenda.
Ndakapinda mumba ndikaona hezvo zvavari
baba va Chipo vakatogara havo vachiona tv
vachitoratidza kuti havasi kuenda kubasa.
Ndakaona nehembe dzavakanga vakapfeka
dzaisatova dzekubasa.

Ndakangovati mamuka sei ndichibva


ndadarikira kuenda ku kitchen. Ndakatanga
kusuka mandiro angu ndichiimba nziyo yeku
church. Ndaisafarira zvekuimba asi musi uyu
ñdaitonzwa kuda kushaura chaiko. Ndiri
pakati pekusuka ndakazongonzwa
ndabatwa muchiuno mangu zvakapfavirira.

*MELISSA*
Ndakabuda mugwenzi riya randakanga
ndakavanda ndichiti ndinatse kuona
zvakanaka ndikaona haikona ndi baba va
Shupikai vachiita kumwaya mwaya maoko
avo vachipopota. Zvakandirovesa nehana
ndichitadza kuziva zvavari kupopota zvacho.

Ndakasimudza tsoka dzangu ndokunanga


kumba. Ndichisvika ndakaona mama
vakagara pasi vachiita sevanonyara pasina
zvaivataura. Baba va Shupi ndivo vaitova
busy kutaura ndikanzwa vachiti

"Pava nemazuva mangani mwana wangu


abva pano , wakatadza kundifonera here
mukadzi wangu kundiudzawo kuti muri
kushaya mwana." Ndakabva ndaziva kuti
chabvondoka kani. Mama vakanga
vachingotsikitsira kunga gwayi riri kuda
kunamata. Nguva yekuti ndimhorese baba
shupi andina kana kuiona vaitoratidza kuti
vakatsamwa chaizvo.zvikanzi
"Mukadzi wangu wave kundiratidza kuti
mwana wangu wanga usingamude
handiti ,ndakatadza here kukuda nevana
vako ukauya kugara navo pano asi
ndinongovaona sevana vangu
wani ,wakambondinzwa ndichiti vana vako
ngavadzokere kumba kwavo here? Andina
kubvira ndakuudza izvozvo kuratidza kuti
ndinovada." Vakadaro vachibva vambotura
mafemo. Andina kunzwa kwakanga
kwatangira nyaya yacho ndangowanawo
yave pakati. Mom vachibva vati

"Sorry baba Delly handina kuziva kuti


angaita mazuva akawanda asati adzoka
ndaiti zvimwe akaenda kwagogo vake sezvo
akambotaura zvekuda kuendako." Vakadaro
mama vakaita kuzviunganidza vaivaziva
baba Shupikai kuti vakatsamwa
vanorova ,baba shupi vakanyarara asi
vakatsamwa ishumba chaiyo
unovakanganwa chaiko ndizvo ndizvo
nemwana wavo Shupikai kakanyarira
mahara asi katokonye uone
unochidemba.zvikanzi

"Ndoda kufonera mama now vakandiudza


kuti haako ndoziva kuti pane zvawakaita
mwana wangu Celia hangangobvi pano
asina kuoneka pasina zvakaitika zviri
kutoratidza kuti akaita zvekutiza pano."
Vakadaro vachibaya baya foni yavo.
Takamirira ku dropwa kwe call kuti tinzwe
kuti ariko here. Akaitawo zvivindi Shupikai
zvekutiza pamba achienda kwatisingazivi.
Zvihope zvandainzwa zviya zvakabva
zvadzoka futi apa ndaida kunzwa nyaya
ndikashingirira kugara zvikanz

"Celia , mwana wangu aripi , waida mwana


wangu here iwe? nhasi uno ndinoda kuona
mwana wangu avapo ,zai regondo rangu
rongonyangarika zvandisinganzwisisi here
wandirwadzisa Celia ndaisaziva kuti une
moyo wakaoma kudaro ingadai waimuda
wakatondiudza kuti mwana hatisi
kumuona." Vakadaro vachienda kubedroom
ndikasara ndakadzvuturirana namama.
Vakanga vaita kuundunda kunga kanhiyo
kanaiwa. Pakanga pasisina kumira
zvakanaka apa.

Ndakaenda mumba ndikawana Mona


akapusa pusa ndikati "chiiko ukaita senge
dahwa ipapo" ndakadaro ndichimurova
kambama achibva avhunduka akati "Shaa
kuona kwako unoona sepachagarika here
pano" ndikati "why panotadza neyi?"
Ndakadaro ndisiri kumbofunga zvakawanda.
Akati "baba vakatsamwira mwana wavo
hauzvioni here asi mama vakatadza ingadai
vakangovaudzawo apa vauya vachifara fara
pavangoona kuti shupi haapo vabva
vabvunza kuti aripi mama vakati
ndamutuma kuma shop tikabva tambogara
zvinguva vakati haasviki neiko mama ndipo
pavazotaura kuti atova nemazuva asipo."

"Hoo apana zvavanoita ava kuti


takamudzinga here?" Ndakadaro Mona
akati "iwe shaa kamubatirwo kaaitwa pano
ndiko kakaita atize gaya kana uriwe unenge
uchinzwa sei uchipota uchimbonyimwa
sadza handi unodzimara watiza pamba
pacho ,asi mama vaizozvinyanyawo."
Akadaro Mona ndikati "kunyanyeiko
kaisanzwa kaya kasoro kacho kaipisa"
ndakadaro ndichizvikandira pabed. Mona
haana kuda kuzoramba achitaura
zvakawanda akabva anyarara ndikati "nhasi
baba taku andigonera iwe hope dzandiri
kunzwa ka hadzina kumira zvakanaka."
Ndakadaro ndakatarisa Mona achibva anditi
ndee seasingandizivi akati "Dhara rako iroro
rakamboita manakirei rausingadi kusiya asi
unombofungawo kuroorwa here?" Akadaro
Mona achiita seanopererwa ndikati
"Mira ndikuratidze pic wangu , manje manje
ndotororwa nababa taku andichade
kusiyana naye ini ,ngazvigume nhasi kuti
dhara ku boyfriend yangu wanzwa."
Ndakadaro ini dhara reyi racho raanotaura
kuti achembera here. Mona akabva aridza
kachikwee kandisina kunzwisisa akati
"Iweka usandinakidza saka mukomana here?
idhara iro zera rababa vako Melissa usadaro
chinja maitiro munin'ina wangu baba ivavo
vatori nemhuri yavo kumba uko unoti uri
kudiwa zvechokwadi here ari
kungokutambisa uyo." Ndakanzwa hasha
Mona achidaro ndikati

"Mona kaa kana usina nyaya nyarara mhani


wakamuona aine mhuri yacho here hatorina
nemukadzi wacho futi inini ndinomuda
akadaro kunyangwe riri dhara ndiro
rinondiitira kaa dhara racho." Nxaa Mona
aitaura zvinondisvota mhani ,foni yangu
yakabva yarira ndikaona ari Eric mukomana
andakambomhanya naye akandiramba
achiti hee mvura mvura zasi kwako.
Ndakaridza tsamwa ndikatsveta foni yacho.

Handina kuda kuzotaura na Mona ndakabva


ndarara ndikazopepuka kazuva kakuvira.
Ndakazonzwa futi noise mu bedroom mama
ndikaziva nyaya yacho. Pasina nguva
ndakanzwa baba shupi vachibuda mumba
vakabata kabag kavo vachiti

"Ndinoda kuzonzwa uchindifonera kuti


wawana mwana wangu Celia
ukasangomuona chete unondiona hako , uri
mukadzi rudzii asina moyo ,asingarwadziwi
nekushaikwa kwemwana , ndakudzokera
kubasa kwangu handirari pamba pane
mukadzi benzi." Vakabva vaenda tikasara
tichipererwa. Ndakapinda mumba mu
bedroom ma mama ndikaona vachichema
ndikati "saka munochemei?" Ndakadaro
vachibva vangonditarisa kwakupukuta
misodzi yavo ndikati "mazviona kaa mhepo
yekuda mumwe murume imi makaroorwa
tarisai mhepo yacho yatotanga onai
masiiwa nababa
vemusha ,kwakutoramwiwa kaa uku."
Ndakazamurirwa mbama yekuti ndakaona
nyeredzi ndikanorovera kumadziro. Zvikanzi

"Ndinokuvhuna wanzwa andina zera newe


ini , andisi mwana wako" ndikati "Mama
mungandirovera izvozvo here? Ndinotevera
baba shupi izvozvi ndovaudza zvese"
ndakakwapaidzwa imwe mbama ndikabva
ndati zii kunyarara. Ndakakwiza dama rangu
ndikanzwa richipisa.vakati

"Kushata kutodza bambo" handina


kuvapindura ndakabva ndaenda kuroom
kwangu kunorara chaiko. Ndakadumbirwa
zvandisati ndakamboita. Mama vakanga
vachinja kuita shumba chaiyo.
*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:49] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Kiyu3VI1xwp2A
RMEa54pIK

*POOR SHUPIKAI*
*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*Chapter 17*
*DELIVERANCE*

Ndakacheuka ndokuona vari baba Chipo


vaindibata muchiuno mangu. Veduwe
ndakanzwa hasha ndikavarova negokora
muromo wavo. Baba ava handizivi imhepo
here inovatuma kuita zvisina basa. Hameno
vakanga vandiona saniko kuzondibata
muchiuno mangu.

Vakatanga kushinyira vakabata muromo


wavo , vanenge vakanga varwadziwa nekuti
ndakavarova nesimba rese. Ndakanomira
kure navo ,vakandidzvokora zvekuti
ndakanga ndakudedera serutsanga ruri
mumvura. Ziso racho rakanga ravhuriswa
kunga chipoko.

Hamawee nguva yandakati ndimhanye


kubuda mumba umu vakabva vandigarira
mberi kwangu , ndakatanga kudududza
ndichidzokera kumashure. Ndaive ndakutya
ini ,baba ava handizivi vakanga
vandifungirei chaizvo.

Misodzi yangu yakatanga kuvavira


mumaziso angu ndikazongoona yakubuda
yega. Ndakafunga zano rekuti ndibude
mumba umu asi handina kuriwana sezvo
baba Chipo vaive vakamira mberi kwangu ,
iko kwaiva nedoor kwacho.

Ndakabva ndaridza mhere kuri kutsvaga


rubatsiro asi kuchema kwangu kwakaita kuti
ndipe baba Chipo manyawi , vakatanga
kufamba vachiuya kwandaiva ndikaramba
ndichifamba kudzokera shure. Asi hakuna
kure kwandakasvika ndaive ndatoti ndii
pamadziro. Vakaramba vachifamba
vachiuya kwandaiva dzimara vasvika pandiri.
Ini ndakanga ndongohuta ndakaisa maoko
angu kumadziro.

Ndakabva ndasheedzera gogo neizwi


rakashoshoma asi ndainzikwa naniko
veduwe. Mwari vakanga vandifuratira ini.
Nguva yandakati ndishame futi muromo
baba Chipo vakabva vaisa muromo wavo
pamuromo wangu. Vakatanga kundidya
muromo wangu veduwe ndakanzwa
kurwadziwa zvakanyanya. Nyika yakanga
yandisema ini shuwa baba Chipo kuita
zvisina basa ndiri.

Vakabva vabvisa muromo wavo pane


wangu ndokuti "unonzani mwanasikana"
vakadaro ndikaramba ndakanyarara.
Chainzika chete kukwiridzira madzihwa
kwandaita , misodzi yaiita kutamba neangu
matama. Ivo kana kumbonzwa zvavo
tsitsi.zvikanzi "ndati unonzani ko haudaviri
here?" Vakadaro vachida kutoswededza
muromo wavo pane wangu ndichibva
ndatarisa divi. Matiziro ndiwo andakanga
ndisina sezvo vakanga vakaita kundikomba
nemaoko avo.vakanga vatsvukisa maziso
avo ,inini wacho ndakanga ndachingotuzura
sebenzi.

"Deliverance" ndakadaro ndichichema.


Moyo wangu wakanga wasvibva kuti tsvaa.
Kuzoti godo raiva pahuro pangu
haritsananguriki , chandakanga ndatadza
handina kuchiziva ini vakati "ndinokuda
Deliverance,usachema hako hapana
zvandinokuita kana tisina kuwirirana asi
ingondidawo Dee ,moyo wangu uri kuita
kutsva ndichingokuona ndichikusiya
uchienda sakei ndakuudza kuti
ndinokuda,zvese ndinokuitira zvaunoda
unotaura handika" imiwee baba vairwara
ava , pfungwa dzavo dzakanga dzakatamba
nepwere shuwa.

Ndakashaiwa zvekuvadaira ndokuramba


ndakanyarara ndichikwiridzira madzihwa
chete. Ndoonekwa ndichidanana
neharahwa yakadaro ndingasanzi dzangu
dzakashota here veduwe. Vaiva vasina
kunyanya kukura havo asi pazera rangu
hazvitoiti iro zera rababa vangu. Shuwa
baba ava ndakaona kuti havanyare
zvokwadi.

"Wazvinzwa here shaa ndati ndinokuda.


Usazotaura kune mukadzi wangu kana kuna
gogo vako ukangotaura chete unofira
mumaoko angu so ndezve kutoti mwiro
hako." Kuzondidaro ndakabva ndawedzera
kuchema chaiko. Chandakanga ndakutya
apa ndeche kubatwa nababa ava veduwe
ndaizozvisungirira ini. Ndakanatsa kutarisa
baba ava kubva kumusoro kusvika kutsoka
chaiko ,ndakazorohwa nehana ndichiona
bhurugwa ravo rakati koo kuzvimba , apa
zvichitoratidza kuti pane chiri kufema.

Hana yangu yakanga yakurova zvekuti ivo


vakazvinzwa vachibva vati "zviri kuda iwe
izvi ,ngatiwirirane kani Deli ndine nyota
newe isingaiti inoda kupedzwa newe."
Ndakanzwa hasha dzichiungana pahuma
yangu ndikati "ndamutadzireiko baba imi
munondiudza mashoko akadaro nezera
randiri iri hamunyari here? Hakusi kundipa
munyama here kwamuri kuita uku."

Simba rekutaura izvi handizivi kuti


ndakarionepi ini sezvo ndanga ndaita
kugurwa gurwa mabhonzo angu nekuda
kwemashoko avo. Ndakatanga kukiswa futi
vachindiisa mazimate avo mukanwa mangu
vachibva vandiregera vakati "munyama
weiko wandinokupa iwe , hindava mukanwa
mako makaora kudaro,hauna mukanwa iwe
wandiona ndine munyama wacho here?
Chikasira kubuda muno uyende
ukangowana waunoudza chete iwewe
ndinokuuraya chete haumbondinetsi iwe"
vakadaro vachibva pandaiva. Ndakatanga
kufamba ndakananga ku door , nguva
yandakasvika padoor ndakabva ndacheuka
kuvatarisa ndikaona vakabudisa maziso avo
ainge atotsvuka ndikati

"Handisati ndakamboona muroyi anenge


imi, muri Satan kana maifunga kuti
muchandiita zvisizvo haa kanganwai henyu
ndiri kunoudza gogo zvamandiita nhasi ,
pano handichauyi kushanda." Ndakabva
ndaridza tsamwa ndikabuda ndichimhanya
chaizvo. Handina kumirira kutaura kwavo ini.
Ndaive neshungu dzisingaiti asi
kwekudzipedzera ndiko kwakanga kusina.
Ndakamhanya misodzi yangu iri pamatama.
Baba Chipo vakanga vandigura
kunorira,nhasi uno ndazvionera kuti baba
Chipo vane moyo wakashata chaiko. Iro
zera rangu rino vakanga vandifungirei
chaizvo.

Nguva yandakafunga kuti vanga


vachindikisa pamuromo wangu ndakatanga
kupukuta muromo wangu kasingaperi.
Ndichisvika kumba ndakanwa mvura
ndikachukucha mukanwa mangu. Ndakabva
ndananga ku room kwangu kunorara chaiko.

Gogo handina kuvaona vaiva mu bath sezvo


ndakanzwa muchirira mvura kuratidza kuti
vari kugeza.ndakada kurara asi zvaisararika
ndikagara pasi ndakagumbata pillow.
Ndakazama kuzvidzikamisa asi azvina
kushanda. Ndakaita sendicharidza mhere ini
nekuda kwezvandakanga ndaitwa nababa
Chipo. Izvi zvaitova zvitsva kwandiri kuti
murume mukuru andiite
zvaanoda,ndakatenda Mwari kuti havana
kuzoita zvimwe zvekuti zvaizoita kuti
ndizviuraye.

Ndakarara pamubhedha pfungwa dzangu


dzakuita kudhanganyika chaiko. "Wadzoka
nguvaiko Deri" ndakavhundutswa nagogo
ndikapukuta misodzi yangu ndichibva
ndamuka ndikati "ndauya izvozvi gogo
ndasvika muchigeza" ndakadaro ndichizama
kutaura zvakanaka asi voice rangu
raitonzika kuti ndambochema. "Wanga
watopedza basa racho nguvai pawaenda
manje manje apa" vakadaro gogo. Apa
ndakasiya ndisina kana kuita basa racho ,
mandiro andaisuka ndakangomasiya
akadaro,ko pakanga pachamirika here ipapo.

"Kwanga kusina basa rakawanda uko gogo"


ndakadaro vachibva vauya kugara paside
pangu ndikazama kunzvengesa maziso angu
kuti vasanyanya kuona kuchema
kwandainge ndaita. Zvisinei ndakabva
ndaonekwa vakati "maziso ako akazvimba
muzukuru nekutsvuka koiyo mitaro
yakachenuruka asi wambochema".ndikati

"Musoro gogo uri kundirwadza uri


kutemera mumaziso so ari kupota
achimbobuda misodzi" ndakadaro,ndaida
kuvaudza chokwadi chakanga chaitika asi
ndakabva ndafunga mashoko ababa Chipo
avaive vati ndikangowana wandinoudza
vanondiuraya. Ndakatya nazvo ini ,
ndakamboda kurovera moyo padombo asi
hana yangu yaitonditi dzikama.

Ndaizozvichengeta kusvika riniko veduwe.


Kunyangwe ndaive nezvivindi zvakaita sei
apa azvina kubvira zvandibata kuti ndiudze
gogo. Gogo vakatanga kundibhabhadzira
musana wangu ndikatanga kuchema.
Ndakazopukuta misodzi gogo vasingazvioni ,
hapana kuita nguva takabva tanzwa nock
padoor gogo vachibva vaenda kunotarisa
kuti ndian.

Ndakasara ndichizviwisira pabed neshungu.


Ini ndaida kuudza gogo asi ndaishaiwa
pekutangira. Mashoko ababa Chipo airamba
achitenderera musoro mangu ,Imwe
pfungwa yaiti zvirasire kure vari kuda
kukuvhundusira. Andina kuziva zvekuita ini
ndikasiyana nazvo. Ndakaona gogo vouya
vachibva vati

"Shamwari yako iri kuda kukuona Deri"


vakadaro gogo ndikati "shamwari ipi" vakati
"uya wekutenga hembe" vakadaro gogo
ndikabva ndaziva kuti ndi Rea. Ndaisada
zvekunetswa nguva iyi ndaitovawo
nezvangu zvaindinetsa.

"Gogo muudzei kuti handisi kunzwa


zvakanaka ngazouya rimwe zuva"
ndakadaro gogo vachibva vaenda.hameno
zvavakanotaurirana. Ndakazodongorera pa
window ndikaona Rea achienda. Moyo
wangu wakatomborwadza asi ndakanga
ndisina zvekuita ini. Ndakazobva pa window
apa Rea atoenda ndikadzokera kurara.

Gogo havana kuzouya ku room kwangu


ndakabva ndatobatirwa nehope. Ndakarara
ndikazomutswa nagogo vachiti huya udye.
Nzara yacho ndakanga ndisina ndikaramba
vakandimanikidza kudya.
Ndakazongodyawo zvechirango
ndikadzokera kunorara.ndichingopinda
mujira gogo vakabva vatevera vakati
"muzukuru wangu asi musoro wacho uri
kurwadzisa kani" ndikati "kwete gogo
wakuita uchidzikira" vakati "kana warara
unogona kuzonyanya futi kurwadza ,huya
kuno umbofukira" vakadaro gogo ndikati
"musazvinetsa gogo ndakuunzwira kure"
havana kuzoramba vachiita nharo vachibva
vavhara door vakaenda kuroom kwavo.
Ndakabatirwa nehope ndikarara kana
kunamata kwacho handina ini , Simba racho
ndakanga ndisina.

Ndakapepuka kunze kuchakatoti


svibei ,ndikagara pasi ndichifunga zvakange
zvaitika nezuro. Kuti baba Chipo pane
zvavanotemba nazvo here? Kuti vangava
vane zvavangandiita here kuri kuti ndaudza
gogo nyaya yacho? Ndaingozvinetsa ndega
hangu. Nhamo yangu haidi kupera
veduwe ,chandakatadza pasi penyika ino
handichizivi. Pandinoti ndifare ndinobva
ndasuwa. Kazhinji mufaro wangu mushoma
handizivi neyi zvichimbodaro.Moyo wangu
waingondituma kuti ndiudze gogo asi
kungofunga mashoko ababa achipo ndaibva
ndanzwa kutya zvakanyanya. Kuita
kudedera chaiko hana yobva yarova futi,
Aah ndakazofunga ku......
*MELISSA*

Ndakapepuka nembama yandakakwizwa


padama rangu ndikayuwira chaiko.
Ndakaona vari Mama havo vainge
vandirova zvakadaro kuita sendisiri mwana
wavo. Hasha dzandakanzwa kaa asi
zvekuvaita ndipo pakanga pasina, vachibva
vati

"Iwewe ndinotozvishaiwa kuti uri mwana


rudzii asingatereri mai vake ,uri mhuka
here?" Vakadaro Mama vachiswedera
kwandaiva, andina kuda kuvatiza ini
ndikaramba ndakamira. "Imi Mama kani
ndadiiko munondipopotera kudaro."
Ndakadaro vachibva vati "enda kuhuni uko
unoda kuzviita ani pano kasira kubuda
muno , Mona anguri akumirira kare
uchiramba wakagonya segonye
ipapa ,ndinoda huni kwadzo
pano ,handijaidzi benzi ini uchaita zvako
mwana kwaye".

Vakadaro vachibuda vachimisa chiuno


chavo chakabhenda. Ndakaridza tsamwa
vachibva vamira vakati "uri kuridzira ani
tsamwa? Iwewe uchanaka hako pano
nemashoko aunotaura neni kuita sekuti
ndine zera newe uchaziva zvekutaura
nezvisingataurwi kumunhu mukuru ndinoda
kukudzidzisa chaiko ndiri kutokuona kuti
wakarekererwa iwe, Mona haana nguva
yekutaura zvisina basa kuna mai vake asi
iwewe handizive kuti muromo wakapinzisa
kudaro wakauonepi kana kuri kuzviitisa
zvino neni pano unoora musana
nekurohwa."
Mai iyi yakanga yakutaurisa chaiko , kubva
zvakaenda Shupikai yakanga yangova hondo
chete pamba , ndakabuda mumba ndikaona
Mona akamira kumapeto kwechivanze
akatondimirira kuti tiende kuhuni kwacho.
Zvekuda kuita pamuromo ndakabva
ndazvisiya nekuti Celia wacho wakanga
wava nyoka chaiyo ,iya bvumbi isingadi
kudenhewa.

Ndakatora zvihata zvangu tikaenda kuhuni


kwacho. Takapinda musango ndikatanga
kunhonga dzaisanetsa kuteza. Ndakaona
Mona achiteza mazihuni kwawo. Ini
ndakabva ndakwanisa ndikasunga
dzandaikwanisa kutakura, Mona achibva ati

"Melissa tuhuni here utwo" akadaro Mona


ndikati "twuhuni tweiko huni dzakakora
kudai" ndakadaro achibva ati "heya , mama
mazuvano vane hasha shaa havasi kuda
zvisina basa ,asi ndiwe unovakwidza hasha
Melissa ndakakuudza kuti chero
vakakutunga zvinobhowa sei iwewe sunga
muromo wako handi uri mwana here?"

Uyu Mona aitondiudza zvinhu zvemahara.


Ndikati "inini handizvigoni Mona rega ndiite
zvandinenge ndichinzwa kuda nguva yacho ,
hasha dzei dzaunondiudza vanozviitisa ava."
Ndakatakura huni dzangu ndokufamba
kuenda kumba. Mona akatevera
mumashure mangu ari zii hake. Takasvika
kumba tikatura huni dzedu.

Ndakatora mvura yekugeza ndikanogeza ,


Mama havana chavakataura ndokuramba
vakanyarara. Ndakapedza kugeza
ndikanozora mafuta ku bedroom.

Nguva yandaizora mafuta ndaiva ndakurura


hembe dzese ndikabva ndafunga baba taku
angu. Kumufunga kwacho kwakanga
kwakunyanya , kuswera ndisina kumuona
moyo wangu waitorwadza.

Ndakange ndomuda zvekurevesa , kufunga


kwandaiita baba taku zvakaita kuti
ndimufonere ndingonzwawo voice rake.
Handina kunonoka kutora foni ndakabva
ndato dailer number dza sweetie wangu.

Foni yacho yakatanga ku ringer kusvika


yakakata isina kudairwa. Ndakafona futi
ikaita zvimwewo ndikanzwa kubhoikana
chaiko. Ini moyo wangu waitoda kunzwa
voice rake kani. Ndakabva ndasiyana nazvo
ndikapfeka hembe dzangu.

Nguva yekudya yakakwana tikanodya zvedu.


Tapedza kudya takabva taenda zvedu
kunorara. Takarara zvedu ndichiita nyaya na
Mona achindiudza zve muface wake ndikati
"Tonde ndanguri ndamufonera haasi
kudaira foni nditori worried so" ndakadaro
ndichinzwa kusvotwa nazvo. Pamwe akanga
achiri kubasa hake. Mona akati

"Unozvinetsawo iwe ,haudi kuudzwa


uchinzwa ndiyo problem yako , atori busy
kunakirana nemukadzi wake izvozvi iwe
busy kuda kunetsa vanhu rega vanhu
vafadzane" Mona akandinzwisa hasha
zvekuti ndaida kumupa chibhakera
chamatsenga nzungu. Ndikati

"Uri kurevei Mona,zvauri kutaura izvi une


ruzivo nazvo here?" Ndakange ndisingadi
kunzwa achishoropodza Tonde wangu. Ini
ndakambo shoropodza mukomana wake
here aida kufarisa uyu akati "ndapedza
newe munin'ina iwewe chinonetsa chii
kungoterera zvinotaura vanhu vakuru."

"Handidi kutsamwiswa Mona kuterera


iwewe kuti uri munhu mukuru here? Saka
unoda ndichisiya Tonde afadzane na mai
vako" akati "usati mai vangu kaa kuita
sekuti ndevangu ndega , iwewe uchiri
mwana mudiki apana chaunoziva
iwe ,wasiyana neni inini ndakafunga
semunhu mukuru wakamhanya kuda zvinhu
tarisa shupi kwaiva kushungurudzwa hakwe
asi aiva akadzikama wakambomuona
akamira nemukomana here but atori
mukuru kwauri" akadaro Mona ndikati

"Ndian iyeye aidawo tsvina dziya tanga


wafunga usati wataura Mona,chisiyana neni
hauna betsero futi" ndakadaro ndichifunga
jira. Ndakarara ndichingofunga Tonde.
ndakazongobiwa nehope ndikapepuka ne
noise yaiva mumba.

Ndakatsukuta maziso angu ndichimuka


kugara pasi. Ndakatarisa paside pangu
ndikaona Mona asipo. Ndakaona Mama
vakamira vakabata muchiuno vakati. "Buda
mujira imomo unokorobha mumba"
vakadaro vachibuda mumba. Zvaitooneka
kuti vainge vabvira kare kundimutsa.

Mama vakanga vakunetsa chaiko.


Ndakagadzira pabed ndikapedza
ndikanokorobha mumba macho.
Ndichipedza ndakaenda kuroom kwangu
ndisingadi zvekunetswa na mama ,vainge
voita zvinobhohwa chaiko. Mugoona kubva
kare kose vakanga vasingadaro.
Vaitotiyemedza chaiko zvino masambo
akanga achinja. Ndaida kuvarongera
dhende rekuti havafi vakazvikanganwa.
Dzungu rese raiva mavari ndaida kuripedza
chaiko.

Ndakanzwa foni yangu kurira ndokuona ari


Eric ,ndakadavira ndichida kunzwa zvaaida
zvacho

"Hello iwe" ndakadaro nekaukasha akati


"Ihasha here Melly" ndikati

"Taura zvauri kuda usada kundibhowa,uri


kudeiko" akati

"Ndinoda iwe babe" ndakaridza tsamwa


ndichibva ndaseka futi ndikati "Asi zasi
kwangu akuchina kukurisa kani" ndakadaro
sezvo ndizvo zvaakanga akandirambira
izvozvo akati "sorry babe ndaitamba shaa
iwe wakabva wazvitora serious" ndikati
"Eric undikwanire wazvinzwa,waiti ndiwe
wega unondida here ndakawana anondida
ini ende handichafe ndakakuda iwewe"
ndakadaro nevoice raiva pamusoro akati

"Dzora moyo mhani Melly pane zvaiitika


paya ndosaka ndakakuudza zvibhohwa
zvakatopera ndinokuda babe" ndikati
"usandifonere futi ndinokudii une chiro
chinenge chemwana mudiki iwewe
ndinogutei ipo paya" ndakabva nda droper
kunga ndini ndaive ndafona.

Ndakamuudzawo zvekuti arwadziwe,handi


akambondiudzawo zvinobhohwa yakanga
yatova game yekurwadzisana. Akada kufona
futi ndikadzima foni yacho.

"Melissa, Melissa"

Ndakanzwa ndichidanwa panze ndikaenda.


Mama ndivo vaindidana ndikati "matii"
ndakadaro ndakamira vachibva vati "gara
apa mwanangu" ndakagara pasi pacho
vakati "mwanangu itawo semwana kwaye
handiti here?" Ndikati "ndazvinzwa"
ndakadaro vakati "mashoko ako mwanangu
anombondibata-bata handizivi kuti
wakatanga rini kudai" vakadaro mama
vakarereka mutsipa wavo ndikaramba
ndakanyarara. "Zvekunetsana nemwana
wandakabara handizvidi Melissa kana
wotaura neni paya zvimwe zvacho ita
uchizvidzora nekuti nerimwe zuva
ndinogona kutsamwa zvakapfurikidzisa
ndikakuramwa , izvozvo handidi kuti zviitike
Melissa nekuti nerimwe gore unogona
kuzofamba wakapfeka masaga nezvinhu
zvisina basa,Mai havatukwi kunyangwe ndiri
benzi ndini Mai vako hazvichinji
mwanangu."

Vakadaro mama vachitura zvimafemo. Ini


ndaive ndingori zii hangu kuita sendisipo
vakati "kana une nzeve watonzwa
mwanangu asi kana usinganzwi unenge uri
kanyemba kaya kanhire kasingaibvi."
Vakadaro Mama ndikanyarara hangu
zvekupindura zvacho ndakanga ndisina
vakati "mangwana ndinoda kukutumai ku
town kunotenga zvinhu zvangu
nezvamunenge muchidawo" ndikati "horaiti
Mama" ndakadaira ndichifara kani zveku
town ndaizvifarira zvisingaiti.
Zuva rakazovira Mama vakabika tikadya
zvedu. Tichipedza takanorara hedu. Ndisati
ndarara ndakafonera Tonde asi haina
kudairwa. Ndakange ndakunyangadzwa
nekuita kwake. Ndakarara ndakatsamwa
zvisingaiti.

*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:49] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/LFZKCzkDFcs8F
cIwaytjOX
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*
#0621141536

*Chapter 18*

*Dudu*

Munhu wangu ndakanga ndamugona. Kimbi


aindibhowera kuti dzungu rakamuwandira.
Zvino ndakange ndamudzikamisa ne camera
yandakange ndamuratidza.
Mwana iyeye akambondirwadzisa mhani.
Kuuraya mwana weropa rangu , ndakanzwa
kurwadziwa chaiko apa ndakange ndofarira
kuti ndakuda kuita baba.

Zvisinei ndakasiyana nazvo pamwe


aisakodzera kurarama mwana iyeye. Asi
kimbi ndaimuda zvekurevesa chaiko.
Ndainge ndakamuwana asiri mhandara asi
andina kuita basa nazvo ndaingoda iye
kwete humhandara hwake. Asi nekufamba
kwemazuva ndakazoona kuti ndainge
ndakarasika pana kimbi , mwana ane
chidengure chinosvota chaiko.

Inini zvinhu ndinozvida handidi kunyepa.


Anditozivi kuti chii chinonatsa kuitika
pandiri chaizvo. Ndikapedza mazuva matatu
ndisina kuita bonde ndinonzwa musoro
wangu kutema chaiko ndobva ndatorwara.
Ndinombozama kuzvidzora asi
ndinokundikana ini ndozotodzimara ndaita
zvisizvo. Ma maid anouya kushanda paden
vanozotoita zvekutiza nekuda kwemaitiro
angu. Doro ndinonwa chaizvo pamwe ndiro
rinondituma kuita izvozvo.

Ndinombozama kuda kunamata


sezvinoitawo Rea asi uhm azvisi mandiriba
izvozvo. Na Rea takakura tese tiri ma friends,
kuchikoro takadzidza tese. So hushamwari
hwedu hwakabva hwatokura.

Asi ndine chinhu chimwe chandinoitira Rea


godo. Anosarudza ma babe kwawo uye
akanaka chaizvo. Hameno anenge
achimbovaonepi chaizvo. Pana Annah
akanga akanyukura chaiko,Asi ndakapotsa
padiki ndanyenga Annah. Mazuva acho
vakanga vachiri kudanana ,Rea
akazongobhaizwawo na Annah kachibva
kanoroorwa.
Annah kakanga kari kangirozi chaiko zvekuti
ndaikanzwira shuga but ndaishaya
ndokatanga sei. Asi ndakazofara kuti hakana
kuroorwa na Rea ndaitonzwa godo ini. Apa
ini handimbosanganiwo nema babe kwavo.
Vandinoona vacho vanenge vakangopera
kare uye tunenge tuchida mari chete.

Ndinotodawo ma babe seanonyenga Rea


but anditovaoni. Andaiva naye aiva nane
hake asi aibhowera kuti aiva kure neni.
Zvekudanana nemunhu ari kure
zvaindimara chaiko.

*REA*
Hope chaidzo ndaidzishaya ndichifunga
Delly. Chandakaona pana Dee ndeche kuti
akachatsonga kana kuti pfungwa dzake
dzakange dzisati dzafunga zvekuita
mukomana. Kakutya kacho kaitondiratidza
kuti pfungwa dzake dzanga dzisati dzafunga
izvozvo.

Zvino ndakange ndatoperera pana


iye ,ndiye aigona kutodzikamisa pfungwa
dzangu. Pandakaenda kumba kwavo akanzi
ari kurwara moyo wangu wakarwadza
chaiko kudzoka ndisina kumuona. Ndakanga
ndakupengeswa na Deliverance. Asi iye
wacho ameno aisazviona here kuti
ndinomuda.

Delly akanga ondipa stress mupfungwa


dzangu. Ndainge ndakarara hangu
ndichifunga zvose izvi. Kwakanga kwatova
masikati ndikafunga futi kudzokera kumba
kwana Delly. Plus ndaida kuona kuti
akarukwa here ndizoenda naye ku
church,kuri kuti aramba ku church kwacho
ndingatotaura nagogo vacho ndemene
nekuti anoratidza kuvatya.

Ndakamuka ndikageza. Ndichipedza


ndakabva ndazora mafuta. Ndiri mukuzora
mafuta ndakanzwa nock ndikati munhu
wacho apinde. Ndakanga ndakapfeka hangu
ka short. Ndakaona ari Lizzy akati

"Huyai mudye ndapedza kubika." Akadaro


Lizzy.

"Lizzy , sei uri kuratidza kundinyara"


ndakadaro ndichimutarisa ndikaona
asingatodi kutarisana neni. Ndiri munhu
asingatyisi uye asina hasha asi iye
anotondiona senge ndakaoma musoro. Inini
handitozvifariri kuti munhu anditye kuita
sendiri mhuka,akati
"Ndinokuonai sa boss vangu so
ndinokuremekedzai" akadaro Lizzy
ndichibva ndafamba kuenda paaiva
ndikamubata mabendekete ake ndikati

"No Lizzy usazvinetsa hako ndinokuona


sehanzvadzi yangu, uri sister yangu wanzwa
handidi kuti undiremekedze seizvi, izvozvo
unozviita kuna mom na dad handika."
Ndakadaro ndichidzokera kubed akati

"Ok mukoma Rea" ndikati "gud Lizzy ,ndiri


kuuya kudya ndichambopedzisa zvandiri
kuita" akabva abuda ndikasara
ndichagadzira pabed pangu. Zvekunga ndiri
munhu akanyanya kukosha handitozvidi.

Ndakapedza ndikaenda kunodya nevamwe.


Takadya tichiitawo nyaya semhuri. Mom
vakange vane kamwe kakufara
kandaisanzwisisa so. Zvisinei
ndaitozvifarirawo izvozvo zvekuti tifare
semhuri. Tichipedza kudya ndakaoneka
mom na dad ndikabuda zvangu.

Ndaka driver mota ndakananga kumba


kwana Dee. Muroad mese ndaingoridza
nziyo dze love. Chishuvo changu chaingova
chekudanana na Dee chete. Hakuna chimwe
chandaida ini zvikangoita chete zvinobva
zvaringana.

Ndakasvika kumba kwavo ndikamisa mota


pagedhe. Moyo wangu waitoda kusvika
pamba chaipo zvekuvanda vanda ndakanga
ndisingachadi. Ndaka knocker padoor Dee
achibva avhura. Akaratidza kuvhunduka
ndikati

"Hesi Dee" ndakadaro ndichinatsa


kumutarisa chaiko asi ndakaona face yake
ichiratidza kakusafara akati "ndiribho urisei"
akadaro ndikati "ndiri bho Delly wakunzwa
sei nemusoro".akati "musoro wave
bho ,ngatipinde mumba" takapinda mumba
tikagara pa sofa asi Dee akanga akangoneta
neta pamwe musoro wakanyanya
kumurwadza.

"Varibho here gogo vaindepi?" Ndakadaro


akati "varipo rega ndinovadana" akaenda
kunovadana ndaida kuvaudza zvekuti
ndinoda kuenda nemuzukuru wavo ku
church. Apa akanga asina kurukwa
ndakabva ndafunga kutoenda naye ku
saloon.

Delly akauya akatungamidzana nagogo ,


ndikakwazisana navo vachifara fara
ndikanzwa kusununguka chaiko. Takatanga
kungotaurawo nyaya dziri normal ndikabva
ndazopinza yangu mudariro ndikati

"Gogo ,ndaikumbirawo kuzoenda na Dee ku


church kwedu" ndakadaro hangu
ndaisatoratidza kuvatya gogo vakati "waita
zvakanaka muzukuru kunamata ndiko
kunodiwa hapana chakaipa zvapo
munoenda vazukuru vangu" vakadaro gogo
vaive votondiona semuzukuru wavowo
chaiye ndikati

"Maita basa gogo ndinoda kuenda naye ku


saloon ndigoenda naye akachenawo" vakati
"ndaive ndatokanganwa zvee muzukuru
wakaita basa nehembe dzawakatenga haa
muzukuru wangu anombochenawo kani
ndinoda uve muzukuru wangu iwe une rudo
rwandakaona chaiko"

Vakadaro gogo ndikaseka hangu ,paive


nenyaya yavo ndaive ndatopaona apa
havatozivi kuti ndakatoda muzukuru wavo
neche kare. Ndikati "munotendei henyu
gogo." Ndakadaro ndichibva ndatarisa Dee
ndikaona achinyemwererawo.
Gogo vakabva vakati "Deri wanga wageza
here mumwe wako anoda kunokurukisa"
vakadaro gogo Dee akati "ndageza gogo"
vakati "chienda unopfeka ndiwe
wamirirwa" akabva ayenda ndikasara
ndichitaura nagogo. Vakabva vazoti
"muzukuru rega ndimboenda paseri pemba
apo ndinoda kumbogadzira chimubhedha
changu chemurivo" ndikati "zvakanaka gogo
regai ndimirire Dee tione kuenda tokuonai
tadzoka."

Gogo vakadaira vachibva vabuda.


Ndakasara ndakagara ndakamirira Dee,
ndainzwa kusununguka ndiri mumba umu
kutoita sekuti ndema mai vangu. Dee
akazopedza achibva auya. Ndikati "ko sei
usingapfeki hembe dzandakatenga"
ndakadaro nekuti dzakanga akapfeka
dzakanga dzisina kunatsa kunaka akati
"Asi ndapfeka zvakashata kani" akadaro
achizviringa ringa ndikati "adzina but enda
unopfeka hembe dzandakakutengera kana
dzichinetsa kupfeka hande
ndinokupfekedza." Akabuda mumba
achimhanya apa achiseka futi ndikaziva kuti
Dee ari kunyara.
Ndanga ndisingadi kuzonyara ndichifamba
naye. Haana kuzopedza nguva akabva
apfeka dzimwe akauya ndikati

"Hauchaoni manje wachena Dee kuita


kufitwa manje" akati "thanks hako" akadaro
achinyemwerera achibudisa ma dimples ake
anoita ndinzwe zvimwe mu body yangu.
Akanga akafitwa hake Dee zvimwe
ndezvimwe hazvo ndakasarudza kutenga
hembe dzakanaka apa size yake
yaanokwana.
!
Takabuda tikaenda zvedu kumota. Ndaitoda
kumubata ruoko chaiko asi ndakatya
kuzomutsamwisa , ndaisada kumubvunza
nyaya yangu ndaida kumbomupa nguva
yekuti anatse kufunga zvakanaka.

Ndakaenda naye ku saloon yakanga iri


padhuze ndikati "tasvika Dee unoda
kurukwa chii" ndakadaro ndichimubvunza
akati "chero zvandarukwa" ndikati "chero
nezvakashata here?" Akatanga kuseka
achinyaririra kani ndikanzwa kufara
mumoyo nekuti ndaisada kumuona
akatsamwa kana ndiinaye.

"Ayewa kani ndinoda ma 1-1" akadaro


ndikaramba ndakamutarisa veduwe Dee
ndinomuda ini zvekudanana zvacho zviri
kundinonokera. "Moyo wangu uri kufara
wakagara neni kudai Dee,ndinokanganwa
nhamo dzangu dzese unodzikamisa
pfungwa dzangu Delly."
Ndakanga ndatotanga zvimwe , Dee wacho
haana chaakataura ndokuramba akanyarara
hake ndikati "handei unorukwa" takabuda
mumota tikaenda pa saloon pacho pakanga
pasitorina zvapo vanhu. Ndakataura
newairuka wacho ndikamuudza zvaida Dee
akabva atotanga kurukwa.

Ndakagara hangu panze pachi bench


chaivapo ndikatanga kubaya foni yangu
ndichitoshaya zvekuita. Nguva dzakafamba
achibva azopera kurukwa. Zvakatora nguva
yakareba kuti apere kurukwa. Mwana
wevanhu akanga achena kani.
Ndakamubata ruoko tikaenda
kumota,haana kuda kubvisa hake ruoko
rwangu. Ndakavhura door achibva apinda
ini ndikapindawo ndikati

"Wachena Dee ende wabva wawedzera


kunaka chaiko." Ndaitonzwa kuda kutaura
zvandinenge ndichiona akati "waita basa"
ndikati "zviri kurwadza here?" Akati
"zvisingaiti zviri kudhonza ganda rangu kuti
ndiseke zviri kurwadza" akadaro achibata
bata musoro zvaitooneka kuti zvadhonzewa
chaiko.

"Sorry manheru ugorara wakaisa towel


rakanyorova mumusoro" akati "ndiko kuti
zvidini?" Ndikati "zvikasike kupora" akati
unozvizivirepi kuita sekuti unorukwa"
akadaro achi smiler ndikat "ndinozviziva
kani Dee" ndakabva ndamutsa mota
ndikanomutengera ma fresh chips.

Ndakatenga ne drink racho. Ndakazotenga


nera gogo nema biscuits avo. "Izvi ndezva
gogo" ndakadaro ndichimupa "waita basa
Rea" achibva atobata ma chips mumaoko
asingadyi "Idyaka Dee" akati "ndichadya"
ndikati "nguvai idya now ndichiona".
Akatanga kuseka ameno ainakirwa nei hake
akati "uri kuda kuona matsengere angu
here?" Ndakangoseka ndikati "Eheka chidya
tione" akabva atanga kudya zvishoma
nezvishoma. Ndakazomutsa mota tikaenda
kumba kwavo. Ndainge ndisingachadi
kusvika pamba ndikamisa mota pa road
ndikati "Handichasviki pamba Dee"
ndakadaro akati "nemhaka yei?" Ndikati
"hapana , mangwana wokurumidza kuita
basa rako tigokasika kuenda ku church."
Taipinda zvedu na 9 o'clock. Kwakanga
kusiri kure ku church kwacho. Ndaipinda
AFM ndiyo church yandakakurira. Akati
"horaiti unozosvika ndapedza kare." Ndikati
"good girl unopfeka trouse handi" akatanga
kunyara achitarisa side ndikati "uri kunyarei
Dee" akati "Aah kuenda kuchurch
ndakapfeka trouse here?" Ndikati "ehe
hazvina basa anobvumidzwa ku church"
akati "handina kujaira kupfeka trouse ini"
akadaro Dee ndikati "kana uchindifarira
unopfeka izvozvo Dee handika , ndizvo
zvandiri kuda kuti upfeke" akagutsurira
musoro.

Ndaida kuzovhairawo na Dee wangu cz


dzimwe boys dzinenge dzine ma babe avo
ikoko akachena chaiko. Asi Dee wangu
aisambonyadzisa uyu chandaitotya ndeche
kuzotonyengerwa babe rangu ndiripo
nekuti ma dimples ana Dee anokwezva
maface chero nemadhara makuru.
Akazvinakira hake mwanasikana. Ndakati
kuna Dee, "ko zuva riya waichemei Dee
usanyara kundiudza sununguka zvako
andimbotyisi ini."

Ndakadaro achibva angonditarisa


akadzosera maziso ake kwaakanga akatarisa
akati "ndichazokuudza mangwana" ndikati
"okay Dee ,ndakuda kuenda now
ndinogadzirira hembe dzangu dzeku church
dzinoda kuayinwa" akati
"Horaiti rega ndiende" ndakavhura door
achibva abuda ndikabudawo ndikati "mira
ipapo" ndakavhara door ndikamuperekedza
kusvika pagedhe ndikamumisa ndikati
"ndibhaibhisewo Dee" ndaida hug ini
zvimwe ndainorara hope dzinobata akati
"bye bye Rea" akadaro akuda kutopinda
gate ndikamudhonzera kumashure ndikati
"ndiko kundibhaibhisa kwacho here?" Akati
"Ehe unoda chii?" Ndakabva
ndamumbundira aah ndakazvipa hushingi
hwacho. Ndikati "ndizvo zvandiri kuda
undiite Dee"

Akanyara zvekushaya pekupinda chaiko


ndikati "ita tione Dee nguva dziri kuenda"
akandimbundira ndikabva
ndamumbundirawo ndikanzwa ropa rangu
kumhanya mhanya chaiko. Akazozvibvisa
pandiri asi aitooneka kuti nyadzi
dzakamubata ,ndikati "Saka wafa here Dee
ndizvo zvandaingoda chete ndokuona
mangwana uti kuna gogo maswera sei?"
Ndakabva ndamutsvoda ruoko
ndikadzokera kumota. Ndakacheuka
ndikaona akangomira achinyemwerera hake
akatarisa panhu pamwe ndikati "heyi uchiri
kuitei ipapo" akavhunduka akavhura gedhe
akapinda mumba achimhanya. Ndakasara
ndichiseka chaiko nofunga zvandakanga
ndaita zvaimuitira funny.

Ku hugger kwandakaita Dee haana


kumboratidza kutsamwa. Ndakafara hangu
Dee akanga akuita achijaira chakanga
chasara kudanana chete ndaisada
kumumhanyira. Ndakamutsa mota
ndichibva ndaenda kumba, zuva iri
ndainzwa kufara chaiko ndainge
ndambundirawo Dee nekumutsvoda ruoko
rwake.
Ndichisvika kumba ndakadana Lizzy ndikati
"Sis Lizzy ndine hembe dzangu dziri kuda
kuayinwa" ndaisafarira kupfeka trouse re
Jean ndichienda ku church akati "okay ndiri
kuuya kutora hembe dzacho" akadaro
ndichibva ndaenda ku room kwangu.
Mangwana ndaida kuzoenda nefon
yandakatengera Dee iya handioni
seayizoiramba. Lizzy akazouya akatora
hembe dzangu akanoayina ndikasara ndichi
polisher bhutsu dzangu.

Ndaiti ndikapfeka hembe dzeku church


vanhu vaindiona sa pastor. Ndaitopfeka
kunga pastor ini ndisiri zvangu. Lizzy
akazouya nehembe dzangu
ndikadzirongedza pakanaka.

"Waita basa mwana wamai" ndakadaro


ndichimutenda akati "muchitendei henyu
handi ndiro basa rangu here?" Akadaro
ndikashaya zvekupindura achibva abuda
akaenda.

Nguva dzakafamba akava manheru tikadya


tikapedza ndikanorara. Ndakarara kunze
kuchindinonokera kuedza.

*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:49] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/LFZKCzkDFcs8F
cIwaytjOX
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536
*Chapter 19*

*DELIVERANCE*

Ndichimuka kubva mu blanket ndakananga


kuroom kwagogo. Apa kwakanga
kuchakatosviba. Zvaiva mupfungwa dzangu
ndizvo zvakandituma kuti ndimuke nguva
iyoyo. Ndaka nocker pa door pagogo
vakanditi ndipinde ndichibva ndapinda.
Ndakagara pabed pavo ndikati "gogo
mamuka sei?" Ndakadaro gogo vachibva
vamuka vakagara ,asi vakanga vakafuga jira
sezvo kwakanga kuchiri kutonhora.
"Ndamuka muzukuru,kwaiteiko wamuka
nguva dzino? Asi musoro uchiri kurwadza?"
Vakadaro gogo ndikagadzirisa pahuro pangu
ndikati "wapora gogo ndine zvandoda
kukuudzai" ndakadaro ndine kakutya
kandainzwa , Asi ndakanga ndatozvipira kuti
ndiudze gogo vangu. Ndakangoti chauya
chauya chinoona muridzi.

Kana baba Chipo vairevesa kuti ndikataura


vanondiuraya abvai vaizondiuraya havo
sehuku handi vakati handivanetsi. "Taura
tinzwe" vakadaro gogo vachizamura zamura
kasingagumi ndikati "gogo nezuro paya
pandakaenda kubasa ndakasvika baba
Chipo varipo vachibva va...." Ndakaita
sendabatwa rurimi rwangu. Ndikatanga
kubwaira bwaira zvisina order,gogo vakati
"Vakaita sei baba Chipo vacho" vakadaro
gogo vamira kuzamura kwavaiita ndikati
"Vakandiudza kuti vanondida vakati
ndikawana wandinoudza vanondiuraya"
ndakadaro ndakutoswinyiwa nemisodzi
mumaziso angu vakati "uri kuti chii?
Wakatadza kundiudza here nezuro, uri
munhu rudzii Deri".

Vakabva vasimudza ruoko kuda kundirova


ndikasimuka ndikanomira ku door ndikati
"ndaitya mashoko avo gogo , sorry
nekukunyeperai gogo ini handichadi basa"
ndakadaro vakati "Deri kah pano handidi
mwana benzi wanzwa here? Ndinokurovesa
chawainyararira chii uchitadza
kundiudza ,kunyarara kudaro unenge
uchiratidza kuzvida" vakadaro gogo vaita
kutsamwa chaiko ndikati
"Ndakatadza gogo vakandivhundusira"
vakati "kuvhundusira chiiko unofunga uchiti
munhu anongourayiwa sehuku" vakabva
vamuka vakapfeka zvimagwada zvavo.
Vakabuda mumba pasina zvavataura
ndikaona vachinanga ku gedhe ndikaramba
ndakavatarisa. Vakabva vasimudza zidanda
rakanga rakangozendamiswawo pagedhe
ipapo vakabuda gedhe,vakatora nzira
inoenda kwamai Chipo.

Step yacho yairatidza kuti ndeye munhu


wakatsamwa chaizvo. Ndakateverawo
ndichida kuona zvainotika ikoko. Ndakaona
gogo vachipinda mumba mavo vasina kana
ku nocker. Ndakazonzwa yava mhere mhere
mukati imomo. Ini ndakanga ndakamira
panze. Noise yaivamo yainzika kuti pane ari
kurohwa. Haa kana vari baba Chipo vakanga
vazvisasika vega maChuma wacho
wairatidza kuti wakatsamwa chaiko.
Gogo vakazobuda mumba mavo
vachipopota chaizvo. Pasina nguva vanhu
vakange vaungana kuda kunzwa nyaya ,Asi
vakabva vavhurumuswa nagogo vachinzi
makuhwa here vakadzi vakuru iwo
makuseni akadaro.

Gogo vakafamba vachienda kumba vachi


mwaya mwaya maoko avo vachitaura voga.
Ndakatevera mumashure mavo ndikapinda
mumba ndikaona vatoti tende kugara
pasofa vakati "Uzvidzokorore Deri naMwari
ndinokuremadza dzidza kutaura chokwadi
wanzwa kunyangwe ukavhundusirwa
zvakadii ndiudze wanzwa, hapana zvimwe
zvavakakuita here?" Vakadaro gogo ndikati
"Vakandidya muromo wangu" vakabva
vavhurisa maziso avo vakati

"Kudya muromo chirudziiko?" Ndikati


"kundikisa" ndakadaro ndichitwasanudza
zvikunwe zvangu kasingaperi vakati
"Abangu muera Gwai iwe , ukabva
watozvifarira" vakadaro gogo ndikati
"Ayewa gogo vakanga vakandigarira ku door
ndikashaya mabudiro" vakati "Nxaaa baba
Chipo imbwa yemunhu nhasi ndaririkita
zibenzi remunhu richapedza mazuva matatu
risingamuki ,achaita zvake munhu kwaye
kana riri demon rechihure rinopera chete,
chasara kucheka tsvimbo yacho iyoyo
inomutuma kuita zvisina basa."

Vakadaro gogo. Handina kuzotaura


zvakawanda nagogo ndikabva ndaenda
kunoita basa. Ndaive ndakunzwa
kurerukirwa nekuudza gogo. Ndakaona kuti
hazvibatsiri kugara nezvakadaro
mupfungwa dzangu. Asi ndakanga
ndatsamwisa vama Chuma zvekurevesa.
Ndakabva ndatodzidza kuti kunyepa
kwakashata.
Ndakaita basa rese ndikapedza.
Ndichipedza ndakagadzira tea ,ndikaisa
chingwa margarine. Tikadya zvedu nagogo
vainge vasisina kutsamwa ava. Ndichipedza
ndakasuka mandiro. Ndipo pakazosvikawo
Rea akataura nyaya yekuda kuenda neni ku
church. Gogo vakabva vabvumira mudenga
mudenga kana kumboda kukakama havo.
Ndaitodawo kuona zvakaita ku church
kwana Rea.

Kundirukisa kwaakaita Rea ndakafara chaiko.


Ndainge ndachenawo musoro
wangu ,kumbundira kwandakaita Rea
zvakandisetsa ndega pandaive ndasara
ndakamira ndega. Haa ndakaita ku sticker
zvangu , kutya kuya kwaiva kwapera.
Ndakaratidza kushinga kwakutomupa
hug ,ko kuzokiswa ruoko kwaakaita uhm
Rea so. Ndakazovhunduka achinditi uchiri
kuitei ,ndakamhanya kuenda kumba
ndichitoseka zvangu.
Ndichingopinda mumba gogo vakati
"Wakachena wena muzukuru" vakadaro
gogo ndikati "zvakanaka here?" Vakati
"zvisingaiti muzukuru" ndikati "maita basa
gogo." Ndikabva ndavapa ma biscuits avo
ne 2ltrs ye drink zvaiva zvatengwa na Rea
ndikati "hanzi maswera sei?" Vakati "nani
zvee" ndikati "nemuzukuru wenyu zvee
andaenda naye ndiye akutengerai izvi"
ndakadaro ndichivatambidza vakati "aita
hake ndombochwachwadawo ma
bhisikitsi."

Ndakabva ndaita zvekubika ndikapedza


tikadya. Nguva yekurara yakakwana
ndikaparadzana nagogo ndikanorara.
Ndakanamata ndikarara hope dzehumambo.
Kuchingoedza ndakaita basa rese sezvo Rea
akanga akati ndigokasira. Ndichipedza
ndakabika tea tikadya ne rice raiva nedovi
ndikazvimbirwa chaiko. Ndikabva
ndatoenda kunogeza.

Ndichipedza kugeza ndakaenda kwaiva


nagogo ndikaona vachidya ma biscuits avo
ndikati "nhai gogo ku church kunoendwa
munhu akapfeka trouse here?" Ndakadaro
nekuti ndaisazviziva ini vakati "Eh handiti
muri kuenda ku church yechirungu here?"
Vakadaro vachitsengera tsengera mabhizvo
ndikati "Aah gogo makambozvionepi
izvozvo."vakati

"Hamusi kuenda kwa Mwazha Deri pfeka


mutodo uyoyo uchaona zvinenge
zvakapfeka vamwe ikoko" ndakada kuseka
gogo vachiti mutodo. Ndikati "Asi
ndinonyara kufamba naro gogo" vakati
"Deri usada kushusha iwewe haudi kuona
munhu ari kuzvidyira mabhisikitsi ake
zvakanaka,ndati pfeka mutodo uyoyo
kunyarei kwacho unoda kuzojaira rini hakusi
kumusha kunoku." Haa zvagogo futi ndikati
"ndazvinzwa gogo ndakunopfeka" vakati
"Ehe chiita zvekukasira mumwe wako
anogona kusvika manje manje."

Ndakabva ndaenda kunopfeka , ndakatarisa


hembe dzaipindirana ndikapfeka top ye
white yaive yakanyorwa pamberi nezvi
black ndikapfeka trouse racho re black
rakanga rakabvaruka bvaruka mumabvi
nezvimuzvidya. Uhm mucheno wacho waiva
wakanyanya kani. Ndikabva ndasunga ma
braids angu zvakanaka. Ndikaenda pa
mirror ndikanozviringa ringa ndiripo
ndikaona kuti ndachinjawo zvaive zvasiyana
nemazuva andakatanga kuuya Harare.

Ndakaenda kuna gogo vakati "Maiwee


maiwee kubva waita Easter mai vako
chaiwo haiwa wakachena kani hauchaoni
manje kuita kamhandara chaiko. Heede
uchenjere kudhonzerwana ku church
ikoko." Ndakabva ndaseka hangu. Ndega
ndakazvionawo kuti ndakachena. Ndikati
"Ndototenda Rea gogo dai asiye
ndaizochenawo seizvi here?" Vakati
"Mwana ane rudo iyeye muhupenyu hwake
dai Mwari vakamupa zvakawandisa."
Vakadaro gogo tikabva tanzwa hooter
kugedhe gogo vakati "chienda atouya uyo"
ndikati "ndokuonai ndadzoka gogo ndine
zvandoda kuzotaura nemi" vakati "Ewo
chimhanya uyende" ndikabva ndayenda.

*REA*

Kwakazoedza ndapinduka kakawanda ,


hope dzakanga dzapera pakati pehusiku
kukaedza ndakangosvinura. Moyo wangu
wakanga wakutoda zvekuenda ku church.
Ndakabuda muma blanket ndikanogeza.
Ndichipedza ndakaenda kunodya breakfast.
Ndaidya namom na dad ndikati "muri
kuenda ku church here?" Vakati "handisi
kuenda mwanangu pamoyo pangu hapasi
kuita zvakanaka" vakadaro Mama ndikati
"patanga kurwadza nguvai?" Vakati
"manheru pakati pehusiku" ndikati "hoo
munoita right mama ndinonokunamatirai
hangu." Vakati "zvakanaka."

Takapedza kudya ndikambotandara zvangu


kuroom kwangu ndichimirira time yangu
yekuenda ku church kuti ikwane.
Yakazokwana ndikapfeka sutu yangu ye
blue. Kwakupfeka nebhutsu yacho iyo yaiita
zvekupenya chaiko.

Ndichipedza ndakabuda muroom mangu


ndikanooneka mom na dad vaiva ku sitting
room vachizvuva nyaya dzavo ndikati
"ndokuonai ndadzoka" vakati "nice ,nice
haa dai wakaita hako pastor mwanangu"
vakadaro dad ndikati "manje manje dad
ndinenge ndava pastor ini" ndakadaro
ndichisekerera vakati "ndizvo zvakanaka".

Ndakabva ndabuda ndikaenda. Ndichipinda


mumota yangu foni yangu yakabva ya ringer
ndikaona dziri new number ndikasiyana
nazvo. Ndaka driver ndokuenda zvangu
ndichiridza song yeku church yekuti

_Makanaka ,makanaka mambo Jesu_


_Taurai nesu...._

Nziyo ndaiyifararira zvisingaiti. Ndainzwa


kunga Jesu wacho waburuka kubva kudenga.
Ndakazosvika zvangu kumba kwana Dee
ndikamuridzira huta achibva auya. Veduwe
Dee ndaisaiziva kuti anofitwa ne trouse
zvekudaro. Ainge akachena kani amana
pana Dee ndinenge ndine zvinhu zvangu ini.
Ndikati "Nice girl uri smart zvako uri bho
here?" Akanyemwerera akati "ndiribho
zvangu" ndikati "good hande zvedu"
ndakamutsa mota ndokuenda. Taingotaura
nyaya dziri general hedu.

Ndainzwa kuti munhu andakagara naye


ndiye wangu chaiye. Ndaipota ndichikanda
kaziso kangu kuna Dee uyo aisatomboona
hake chinhu. Tichisvika ku church
ndakamuvhurira door remota achibva
abuda. Ndikati "Tasvika handei hedu
mukati" tichibva tafamba kupinda mu
church macho tikawana vanhu vachitoisa
deco.

Takanogara pa bench redu tiri two na Dee.


Vanhu vakanga vavemo chiona maziso
evanhu aingova patiri. Ndakabva ndatoziva
kuti vanhu vari kuda kuziva munhu
andakanga ndauya naye ku church.
Ndichidanana na Annah ndaienda naye ku
church ikoko, Asi kubva zvatakasiyana
ndakanga ndakuenda ndega. Pastor
vakazosvikawo church ikatanga ve praise
and worship vakaimba havo. Tichipedza
kuimba takatanga kunamata. Tapedza
takabva tagara pasi pastor vakatanga
kuparidza shoko. Ndakabva ndazevezera
Dee kuti "Church iri kunakidza here?"
Akabva agutsurira musoro achinyemwerera.

Pastor vakaparidza shoko rainatsa kuuya


kugara pamoyo pangu. Zve bhaibheri
ndainatsa kuzvinzwisisa chaiko. Pastor vari
pakati pekuparidza vakabva vamira
ndokutanga kudzudzunga musoro wavo.
Ndikaziva kuti mweya wavo wakudzika
manje. Vachibva vazoti

"Musikana huya kuno" vakadaro


vachinongedza Dee. Dee wacho akabva
anditarisa achipererwa zvese
nekuvhunduka.ndikati "simuka Dee ndiwe
uri kurehwa ,enda mberi kwavari"
ndakadaro ndichimuzevezera. Akasimuka
atori mukuvhiringika chaiko. Maziso evanhu
akanga angova pana Dee,ndaingoti dai
akasatondichemera nhasi. Akanomira
paside pa pastor akatanga kunyara achibva
atsikitsira. Zvagara kumira mberi kwe vanhu
hakutonakidzi unoshaya nekwe kutarisa.
Pastor vakati

"Unonzani mwanangu" vakadaro pastor


vakabata Dee bendekete rake achibva ati
"Deliverance" akataura hake asiri kutya.
Pastor vachibva vati "Wakachena
mwanangu tarisa maziso evanhu vose ari
pauri vari kushaya kuti ngirozi iyi
yabvepiko" vanhu vakatanga kuseka,Dee
wacho akatangawo kunyemwerera
achibudisa ma dimples. Aioneka hawo
chero asina kunyemwerera asi aizonyanya
kubuda paano smiler paya.
Pastor vakabva vati ,"sununguka mwanangu
ndinoda kumboti mwini mwini newe
wakamira ipapo" vakadaro pastor, Dee
achibva andichekerera nekaziso ndikango
smiler hangu, pastor vakati
"unombonamatawo here?" Vakadaro
pastor vachimubvunza achibva agutsurira
musoro vakati "unombozvipawo nguva
yekuzvinyima chekudya here?" Akabva
adzungudza musoro wake vakati "une
nguva yaunoti ukatsamwa unobva
waramwa kunamata ndiri kunyepa here?"
Vakadaro akati "Ayewa" zvikanzi "Namata
mwanangu ndaona wagamuchira zvakanaka
asi zvinoda ushinge kunamata chaiko. Enda
zvako unogara pasi" vakadaro achibva auya
kugara pasi , pastor vakabva vaenderera
mberi neshoko. Ndakazevezera Dee kuti

"Hauna kutohuta here mberi kwawanga uri


uko" akati "Aah ndanga ndichitya ini haa
maziso evanhu anga akandidzvokora."
Akadaro ndichibva ndanyemwerera.

Vanhu vakazoimba tikanamata church


ichibva yavharwa. Tapedza takabva tabuda
kuenda kumota. Tichifamba kudaro pastor
vakabva vandidana ndikati kuna Dee "enda
unondimirira kumota" ndakaenda kuna
pastor vaya tikakwazisana vakati "handina
akawanda andakudanira hako" ndikati
"okay pastor" vakati "ubate mwana
zvakanaka" ndakasekerera ndikati "hindava
pastor?" vakati "ndatozviona ndiye wako
iyeye" Haa zva pastor futi ndikati "thank
you pastor".

Takaparadzana vachienda kumota yavo ini


ndikaendawo kwaiva neyangu. Ndakanzwa
hasha ndichiona mumwe muface
aitoratidza kuti ari kunetsa Dee wangu.
Ndichisvika ndakabva ndamubata ruoko
muchinda iyeye ndikati "bro
kwamakutambira hakusiko" akati "ndaita
sei bro" ndikati "wanga uchiitei pa babe
rangu apo hatiwirani bro." Ndakabva
ndadzokera pamota tichibva taenda zvedu.
Tiri muroad ndakamisa mota paiva nerimwe
zimuti ndichibva ndamira ipapo ,ndaida
kumbotaura na Dee tiri ipapo.

"Hande tinotenga zvekudya" akati "oky


handei" takabuda mumota tikanotenga
twakawanda wanda tikadzokera kumota.
Takatanga kudya zvedu ndakange ndave
nenzara. Pandakapedza kudya ndikati
"nhasi handidi kukunzwa uchiti hausi kuda
foni iyi Dee" ndakadaro achibva adaira
nemusoro sezvo akanga achiri kudya.
Ndikati "gara waitora usazokanganwe"
ndakayiisa pamakumbo ake. Takambotaura
dzimwe nyaya ndichibva ndazoti
"chindiudza nyaya iya yawaiti uchandiudza
nhasi" akati "nyaya ipi handichaizivi"
"kuchema kwawakaita that day" ndakadaro
achibva atanga kuridza zvikunwe zvake
ndikati "taura Dee ndiri kuda kungozivawo"
akati "Aah mashoko ako akandivhundusa
kuti ungandida nezvandiri zvino here
pfungwa dzangu dzikafunga kuti unoda
kutamba neni Rea uye nezvandiri zvino
handioni ndakakodzera kuti tidanane."
Akadaro Dee ndikati "Dee, usazviona
semunhu wemahara handika ,ndaitorevesa
ipo paya pandakati ndinokuda Dee,dai
wangofadzawo moyo nekuti ndinodada
newe Dee ," haana kudavira achibva
aramba akanyarara ndikati

"Ndinokudisa Dee nhasi ndinoda


undiudzewo zvauri kufunga" ndakadaro
akati "ndozokuudza" ndikati "Riini Dee"
akati "handizivi" ndikati "ndiri kuda reply
yako nhasi kana uchinyara kundiudza izvozvi
ndinozokufonera manheru handiti."
Ndakadaro sezvo foni ndakanga ndamupa.
Akabvuma hake ndikamutsa mota tikaenda.
Ndakamusvitsa pagate ndikaburuka
ndokumuvhurira door remota akabuda
ndikati "zvandiri kuda unozviziva" akatanga
kuseka achinyara. Ndikati "ehe usaseka itai
tione" ndainge ndakamira kure naye
achibva auya kundi hugger ndikanatsa
kumumbundikira chaiko. Takazoregedzana
ndikati "body yako inopisa kunzwa kuda
kuramba ndakakumbundira Dee" akati "haa
unopenga ndakuenda ini" ndikati "okay Dee
ndiwe unondipengesa ndotaura newe
manheru handi" akati "okay".

Ndakabva ndamutsa mota ndokuenda


kumba. Zuva rakanga ratovirawo.
Ndakasvika kumba ndikaona Lizzy achiseta
table akanga atopedza kubika.
Ndakadarikira kunotsveta zvinhu zvangu
kuroom kwangu ndikakumura hembe
ndikapfeka dzaipinza mhepo.
Ndakaenda downstairs ndikawana vana
mom vakutodya zvavo. Ndakavasweresa
ndikatanga zvangu kudya vachibva
vandibvunza zveku church kuti kwaiva sei
ndikavaudza kuti kwainakidza. Ndaiti
ndikaisa musuwa mukanwa ndobva ndanwa
nedrink ,ndiwo waitova mutemo wacho
pamba pedu taisadya sadza nemvura paside
asi kuti nedrink.

Nguva yandakapedza kudya ndakanzwa


kadzungu kaitenderera mumusoro mangu ,
ndakabva ndanzwa zvee kunga hope dzoda
kundibata ndikabva ndatoti ndakunorara.
Ndichipinda mumba ndakabva
ndatozvikandira pabed ndikabva ndatorara
zvekufa chaizvo. Ndakapepuka kwaedza
musoro wangu uchirwadza chaiko
ndichitadza kuziva zvakaitika.
Ndakazorohwa nehana ndichiona paside
pangu paine munhu.
*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:49] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/LFZKCzkDFcs8F
cIwaytjOX

*POOR SHUPIKAI*
*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 20*
*MELISSA*

Tichimuka takaenda kunogeza na Mona.


Taida kuenda ku town achiri makuseni
kusati kwakupisa. Tapedza takaenda
kunodya porridge mom vaive vatopedza
kubika ,mom vakati

"Zvamurimi moswera ku town ikoko"


vakadaro mama , Mona akati "Aah kuti tiri
vana vadiki here mom" vakati
"kungotaurawo hangu." Takapedza kudya
zvedu , ndakabva ndafunga kubvunza mama
nyaya ya Shupikai sezvo vakanga vakanzi
vazotsvaka mwana nababa vacho ndikati

"Nhai mama nyaya ya Shupikai muchaita sei


nayo" Ndakadaro vakati "kuita sei nayo
pakudii?" Vakadaro mama ndikati
"kumutsvaga kaa handi baba vacho vakati
vanoda kumuona ava pano" vakati
"ndozivawo kwaakananga kwacho here?
Achadzoka ega" ndikati "Hoo kana nyaya
yacho isingazomusvitsi pakaoma hapana
chakashata" Mona akati "uchadawo nyaya
dzisinei newe hande uko" takabva taenda
kunochinja zvedu hembe.

Takapedza tichibva taoneka mom tikaenda.


Takanomira pa road pasina kana mota dziri
kumbodarika hadzo ndikati "Mona ,ukati
nhasi pane mota dzinoenda ku town ipapa"
Ndakadaro ndichibvunzawo cz
hadzisimboshaiki zvekudaro. Dzinofamba
chero nguva yawada kuenda ku town
haumboshayi mota. Mona akati "hameno
shaa nhasi zvanyanya izvi hatisimbotori
nguva takamira pano." Ndikati
"Tanyanya kumirisa pano 12 zvaichatochaya
takangogara pano ,rega ndifonere tonde
auye kutitora." Ndakadaro ndakutobaya
baya foni ndichitsvaga number dzacho.
Ndakaona Mona akuputika nekuseka.
Ndikatoshaya kuti zvazvipi futi zvakuseka
Mona. Akada kutaura but akatadza
kubudisa zvironzo nekuseka kwaaiita ndikati
"nhaiwe unopenga here chauri kuseka
ipapa chii?" Ndakadaro ndichida kuziva cz
munhu angoseki ka ipapa. Akati

"Aah ndingatadza kuseka hangu uchiita


zvinosetsesa kudaro." Akadaro Mona
achingoseka ndikamukwidzira voice ndikati
"chasetsesa chacho chiiko iwewe" handina
kuzoenderera mberi nekutsvaga number
dza tonde akati "unoenda wega na tonde
wako ini ndiri kumirira mota pano" ndikati
"Saka haudi kukwira mota ye boyfriend
yangu sei wakamaka bamunini vako Mona"
akabva atanga futi kuseka kuita
seachatodambuka mbabvu.

"Undisiye zvangu handina kumumaka ini ,


dzaita here number dzacho" akadaro
ndichibva nda dialer number dzacho
dzikaramba. Ndikati "iri kuramba but dai
yaita aiuya kunditora akati "Atoenda out
nemhuri yake so".

"Mona usada kunzwa mashoko angu ,


handidi kunetsana newe sha" Anga
akundibhowa ,Apa ndainge ndatove
nemazuva ndisingatauri naye kana
kumuona. Aitowedzera kundirwadzisa ini
ndaiva nechisuwo naye. Akati "sorry melly ,
ndakakanganwa kukuudza zveee iwe ,
weekend ndiri kuuya ne boyfriend yangu
ndinoda kuyi introducer kuna mom."
Akadaro Mona ndikati "hoo" zvikanzi
"Asi watotsamwa Melissa unotsamwawo
zvisina basa iwe" ndikati "handina
kutsamwa ini waida ndikupindure kuti chii?"
Tainge tonetsana nezvinhu zvisina basa ,
apa kusina kana mumota yaiuya zvayo
Mona akati "okay zvikafamba bhoo
ndinenge ndakutoroorwa ini. Ndiri
kungonamatawo kuti ndiite musha
usingazoparari ,koiwe unoda kuzororwa
rini?" Said Mona akandibudisa mazino ake
achingonyemwerera zvisina basa ndikati

"Kana tonde ava ready akati ndimbokura


hanzi ndinoda kuzokutora kana
wakukwanisa kutakura mwana" Ndakadaro
Mona achibva auya kumira padhuze neni
akati "Melissa ndaikumbirawo kuti usiyane
nababa taku vako ivavo uri munin'ina
wangu iwewe handifani kukusiya uchirasika
wanzwa , ane mhuri yake uyo Melissa
tsvaga mukomana anokuda nguva ichipo
usati wamitiswa. Kukura kupi kwaanotaura
handi kurara newe kuratidza kuti wakura
here? So anoda kuti ukure kusvikepi nhai.
How many days foni yake ichiramba pamwe
wakato blokwa futi Unganditsamwira hako
asi ndakuudza chokwadi"

"Asi unomuda kani tonde wacho"


Ndakadaro nekuti zvaaindiudza zvacho
zvainge zvisina musoro akati "kumuda chii
chacho ndenge ndasiyepi Lovemore wangu"
ndikati "Saka sei uchigwinyirira zvisinei
newe ingoziva kuti tonde anondida chete
zvauri kutaura izvo ndezve kupenga , uri
kuda kuti ndisiyane na tonde then iwe
wochidanana naye kaa manje ndakubata......
" Handina kupedza kutaura akati "hauna
kukwana uchazoyeuka bako wanaiwa haudi
kubatsirwa."

Tiri pakati pekukakavadzana mota yakabva


yasvika tichibva tatomhanya kunokwira.
Yakamutswa mota tikananga ku town zvedu.
Ndakagara kudaro ndakabva ndafunga
mashoko aitaura Mona. Akabva auya
kugara pamoyo pangu kana chiri chokwadi
kuti tonde ane mhuri ndaigona kudonha
nebhipi chaiko. Nemadire andinomuita uhm
ndaizozviona chete kana aine mukadzi wake
ndaizotangira ipapo. Asi kutaura kwake iye
aiti akarambana nemukadzi wake.

"Uri kufungeiko buda tiende hauoni kuti


tasvika here?" Ndakavhunduka ndichiona
tatosvika ku town. Ndakadzika tichibva
tatanga kutenderera na Mona. Takatenga
grocery ratakanga tanzi titenge tikatenga
nezvi hembe zvedu. Micheno taizoidawo.
Mona akabva ati tiende kunotenga sadza
rekudya ini ndaisanzwa kurida
ndikamuperekedza. Akatenga plate yake
yesadza raiva ne chicken yakanga
yakatsvukira chaizvo.
Ari pakati pekudya ndakabva ndanzwa kuda
kurutsa. Ndikamhanya kunorutsira kure.
Kasmell kacho kakandibhowa chaiko
ndikamira kure kusvika Mona apedza kudya.

Akapedza tichibva taenda akati "nhaiwe


kurutsa kwako uku zvichiri zvega here?"
Akadaro Mona ndikati "mabikirwe aitwa
nyama yawadya haana kundiitira saka
watoshingirira kudya nyama yandanzwa
ichinhuhwa kudaro." Ndakadaro ,tainge
tamira nguva iyoyo akati "kunhuhwa chiiko
Melissa kana nyemba dzakazvimbira taura."
Ayizve ndakatopererwa nekutaura kwa
Mona ndikati "nyemba dzacho ndakadzidya
kupi" Ndakadaro nekuti yakanga isiri nguva
yezhizha uye taisava ne garden isu , akabva
akanuka achiita seanopererwa. Akati

"Melissa kana ndoti uchiri mwana kaa


ndenge ndichitorevesa cz zvandataura apa
hauna kutozvinzwisisa busy kufunga hako
zvemukove ,ndati haisi nhumbu here iyo
kava kangani uchirutsa , ndizvo
zvawaimboita here?" Akadaro Mona ndikati

"Ndizvo zvaunongo funga zve mimba


munhu akarutsa wototi yanhumbu ini
handina ini tonde akati handisati
ndotombokwanisa kutakura mwana wacho"
ndakamuudzawo zvaive zvakataura tonde.
Mona aitondifungira zvisina basa hake.

Hatina kuzotaura zvakawanda takabva


tatoenda kunokwira mota takadzokera
kumba , tichisvika kumba ndakabva
ndamhanya ku bedroom kwa
mama ,ndichipinda mubedroom mavo
ndakarohwa nehana ndichiona.........

*DELIVERANCE*
"Veku church kwanga kurisei" vakadaro
gogo ndichangopinda mumba ndikati
"kwanga kuribho gogo haa kwainakidza
chaiko." Ndakadaro ndichizvikandira pasofa.
Foni yandakanga ndakabata mumaoko
yakabva yadonhera pasofa gogo vakaiona
vakati "waionepiko foni" ndikati "ndapiwa
na Rea" Ndakadaro vachibva vairinga ringa
vakati yakanaka.

Ku church kwakandinakidza zvako.


Ndoyaitova first time yangu kuendawo
kuchurch yechirungu. Vanhu vainge
vakachena kwete zvekutamba. Pastor ndivo
vakanga voda kuti ndishaye kwekutarisa
nenyadzi. Zvisinei Rea akazondiudza kuti
anondida zvekurevesa asi kuti ndaitotyawo
kumuudza kuti ndinokudawo. Ndainge
ndomuda ini handidi kunyepa.
Akazondipa foni akati totaura manheru.
Ndakabika sadza remanheru gogo vakanga
vatobika beef kare. So zvakabva zvaita
nyore ndikabika sadza chete. Ndaingonzwa
kufara mumoyo mangu kuti ndakuda
kudanana na Rea. Ndaigona
kungonyemwerera ndiri ndega hangu.
Ndichipedza kubika ndakapakura tikatanga
zvedu kudya. Handina kudya zvinoenda
kure ndainge ndakaguta nemashoko
aRea.gogo vakati

"Nhasi hauna kudya iwe" ndikati


"ndambodya kwataenda uko." Ndaida
kutovaudza nezva Rea ndikati "gogo ,Rea
akati anondida." Ndakadaro ndisiri kana
kunyara. Gogo vakati "ukamuudza kuti
chii?" Ayizvee vakadaro vachinyemwerera
havo ndikati "Hapana zvandati
ndambomuudza" vakati "Asi unomuda
here?" Mubvunzo wagogo wakandipedza
simba ndikashaya zvekudavira. Ndaitonyara
kuti ndivaudze kuti ndinomuda ndikati
"Kwete gogo" ndaida kuona zvavanoita.
Zvekumuda ndaitomuda chaiko vakati "sei
usingamudi" vakadaro gogo ndikati "handiti
ndewe kirasi here? Makati ndigare
ndasiyana neve kirasi" vakabva vaseka
ndikashaya kuti chii chakutora nzvimbo.

"Muzukuru wangu unoterera zvechokwadi


ndazviona ,hongu Ndakadaro asi Rea uyu
ndakaona kuti munhu kwaye" ndakabva
ndasekerera. Saka gogo vaitomufarira havo
vakati

"Unomuda here?" Ndakapererwa


nemubvunzo wagogo ndikati "handisati
ndaziva ini gogo asi moyo wangu uri
kumuda" Ndakadaro vakati "unoita zvinoda
moyo wako" ndikati "horaiti gogo"
Ndakadaro ndichiendesa mandiro ku
kitchen. Nyemwerero iri kugotsi chaiko.
Nguva yekurara yakakwana ndikaenda
kuroom kwangu. Ndakanga ndachimirira
kufona kwa Rea kuti ndimuudze zvaiva
mumoyo mangu. Ndakatanga ndanamata
ndikazokwira hangu pamubhedha
ndokurara nemusana. Ndakatora foni
ndokumboibaya baya asi hapana
chandaiziva. Rea akanga asina kundidzidzisa
kubaya fon kwacho. Ndakazosiya kuibaya
ndakutya kuzotobaya zvisizvo ikafa.

Nofunga nguva dzakakwana kuita kuma 10


ndisina kuona call ya Rea ,ndainge ndava
kunetseka zvino. Kuti akanga atokanganwa
nezvazvo. Ndakazvinetsa ini kutotadza
kuziva kuti neyi asina kufona.

Ndakambozama kumirira kufona kwake asi


nhare haina kubvira yarira. Ndakabhoikana
zvisingaiti saka Rea aida kundinzwa here
nhaimi sei asina kufona. Foni yacho
ndakabva ndaipfekera pasi pe pillow.
Hasha dzakada kumbondibata asi ndakabva
ndazvidzikamisa pamwe pane zvainge
zvaitika hazvo or aiva nehope kwakutorara
tisina kutaura. Rea akanga otondipengesa
tisati tadanana kudaro,mu brain dzangu
maingova na Rea chete.

Nguva iyi ndakabva ndatsinzinya maziso


angu ndichitsvaga hangu hope asi adzina
kubvira dzauya hadzo. Kana kuri
kushanyarika nekupinduka ndakaita
kasingaperi. Ndakamboti zvimwe chiedza
che light ndicho chiri kutadzisa hope dzangu
dziuye ndikadzima light. Ndikatanga kuboira
maziso angu murima imomo.
Ndakazobatwa nehope nguva dzafamba
kare.

Ndakamutswa nagogo vakati "zvauchafira


muhope hanzii kurarisa kudaro" vakadaro
gogo ndikatanga kutsukuta maziso angu
ndichishama n'ai. Hope ndakanga ndichiri
kudzinzwa sezvo ndakanonoka kurara
ndichifunga Rea.

"Wamboona pane nguva here?" Vakadaro


gogo ndikati "handina gogo" Ndakadaro
ndichivhomora foni yangu pasi pe pillow
ndikatarisa time. Ndakarohwa nehana
ndichiona nguva dziri kuma nine. Ndakanga
ndisati ndambozviita zvekurarisa izvi gogo
vakati "ndanga ndafunga kuti hausi kunzwa
zvakanaka" ndikati "haa ndiri bho ini hope
chete" ndakabva ndatowarura machira
ndikagadzira zvakanaka.

Ndakatanga kuenda kunogeza ndichida kuti


hope dzandainzwa dzipere. Ndichipedza
kugeza ndakaenda kunozora mafuta. Ndiri
pakati pekuzora foni yangu yakabva yarira.
Ndakaitora ndikaona number dzacho
dzakanzi sweetheart ,ndakabva ndadavira
zvikanzi

"Hesi Dee"

Pandakanzwa izwi racho ndakaita


sendichanyunguduka ndikati

"Ndiri bho hameno iwe"

Ndakadaro ndichitonyaririra kuita sendiri


kumuona, ndakanzwa achitura mafemo
achiita sekuti ane zviri kumunetsa akati

"Ndiri right ndiri kuda kukuona nhasi hausi


busy here?" Ndikati

"Handisi busy" akati

"Okay ndokuona time time"


Akabva akakata foni, ndakambo stika
ndakaibata apa ndichingosekerera hangu.
Ndakazopfeka hembe dzangu dzikanoita
basa rese ndikapedza. Ndichibva ndabika
tea tikadya nechingwa chaivamo.

Gogo vakabva vati "ndichambonotsvaga


maseeds emurivo ndinoda kurima murivo
paseri peimba apo" ndikati "horaiti gogo"
vakabuda ndikasara ndichisuka mandiro
atakange tadyira. Ndakapedza ndikaenda
kuroom kwangu ndikazorora ndakarara
pabed,ndainge ndisina kurara hangu hope.

Ndakazonzwa huta kurira ndikaziva kuti Rea


auya. Ndakamuka ndikapfeka zvima pushi
zvangu ndikananga kugedhe kwaaiva.
Ndichisvika paive nemota yake akabva
andivhurira ndikapinda mukati.

Takamhoresana asi mufaro wake handina


kunatsa kumuona , airatidza kuti akasuwa
but aisada kuzviratidza kwandiri. Handina
kuda kumubvunza ndakasiyana nazvo. Akati

"Sorry Dee nezuro andina kuzokwanisa


kufona" akadaro ndikati "horaiti"
ndakadaro ndichitonyara dai aiziva kuti
andina kurara ndichimirira kuona call yake
aisadaro, akati "wakarara zvakanaka here?"
Ndikati "ehe koiwe" ndakadaro
ndichimutarisa ndikaona achiita
kakudzungudza musoro achivhara maziso
ake. Akati "yeah , ndauya kutaura newe
face to face undiudze zviri mupfungwa
dzako" ndakabva ndapusa kwakutanga
kuruma ruma muromo wangu. Ndainyara
ini kumuudza face to face kuti ndokuda.
Akati

"Dee ndinokuda ,handidi kutamba


nepfungwa dzako zvandiri kutaura zviri
kubva pakati pemoyo wangu. Fadzawo
moyo wangu babe I love you so much"
akadaro Rea aita zvekundibata ruoko
rwangu apa aita zvekuswedera pandiri.
Zvandakanzwa ipapa hazvitsananguriki. Iye
wacho akanga oita seachatoda kundikisa
akati

"Ndiri kutaura newe Dee


ndipindurewo ,unondida handika" ndakada
kuseka asi ndakabva ndanyara akati "hee
Dee" ndikati "ehe" imiwee ndainge
ndoshaya kuti ndotarisepi nenyadzi achibva
asekerera akati "chindiudza wega
nemuromo wako kuti unondida" ndikati
"ndinokuda."

Ndakadaro ndakatarisa pasi. Iye wacho


akange asingachagoni nemufaro kana kuri
kusuwa kwaanga akaita kuya ndakanga
ndisingachakuoni akati "thanks babe
wafadza moyo wangu ndinokuvimbisa kuti
handife ndakakusiya Dee ndinokuda
nemoyo wese ndinoda uzove mai vevana
vangu." Akadaro Rea akabata maoko angu
ese. Nguva iyi akabva akisa ruoko rwangu
akati "uri chiedza che hupenyu hwangu Dee
ndokumbirawo undipe ka kiss padama
rangu ndi believe kuti wandida zvechokwadi
Dee."

Rea akanga oita seakutopenga chaiko


nekuti nyemwerero yaiva pachiso chake
yakanga isina kumira zvakanaka. Inini
wacho ndainzwa kufara mumoyo mangu
kuti ndazobvuma Rea. Airatidza kuti ari
pachokwadi chaipo kusazoziva hangu zvaiva
mumoyo make. Asi ini ndainge ndatoperera
pana Rea ende ndaisada kuita mumwe
mukomana kunze kwake.
Ndakazovhunduka achiti "kisa apa bby"
akadaro achibata padama rake ndikanyara
imiwe ndainge ndoda kutodzidziswa zve
rudo.
Zvekunyara izvi ndakabva ndambozviisa pa
side ndikabata dama rake ndikakisa akati
"hauna kukisa zvandinoda baby" yowee Rea
wacho zvaaitonetsa nhai ndikati "unoda
ndiite sei?" Akabva abata dama rangu
ndokundikisa ipo dimple rangu akati
"zvandaita wazviona here?" ndikati "ehe"
akati "chiita tione" ndakabva ndaita akati

"Thank you baby waratidza kuti wave


wangu zvechokwadi ,usandirasisewo Dee"
ndikati "andimbokurasisi Rea" akati "shuwa
here?" Ndikati "ehe" tainge taita
zvekutarisana chaiko pasina kunyarana ,
veduwe ndainge ndatopinda murudo na
Rea sekutamba sekuseka. Akati "ungabva
wanditiwo Rea here?" Ndikaseka ndikati
"Ehe waida nditi chii?" Akati "iti ddy kaa"
ndakasekerera ndichitarisa side.

Akamutsa mota tichibva taenda


kwandakanga ndisingazivi. Akazomisa mota
tasvika pashop tichibva tadzika tikapinda
mushop iya. Yaiva shop ye hembe akati
"tora zvaunoda baby" akadaro
Rea ,ndikatsvaga hembe dzakange
dzakanaka iye akabva asarudza kutenga ma
trouse ini ndanga ndisina kumbotarisa
zvema trouse ndaitora madress ,ma skirt
nema top. Ndakatsvaga zvibhutsu zvakanga
zvakanaka ndikati "zvakwana" akati
"zvishoma izvi here?" Ndikati "Ehe" haana
kutaura achibva atora dzimwe tikazoenda
pa till kunobhadhara. Tapedza takadzokera
kumota ndikati "waita basa Rea" Ndakadaro
ndichimutenda akati "watii babe" ndikati
"waita basa" akati "ani?" Akadaro achiita
seasingazivi ndikati "iwewe Rea" akango
smiler akati "watadzawo kuti ddy here?
Anyway hazvina basa hazvo bby uchazojaira
nekufamba kwenguva handiti" ndakabva
ndagutsururira musoro.
Takadzokera kumba achindiudza zvinyaya
zverudo. Rudo runonaka ndaisazviziva ini ,
takasvika kumba ndikaburuka achibva
andiperekedza kusvika pagate tikabva
tambundirana ,tadaro takabva tatarisana
maoko ake akanga akamakochekera
muhuro mangu. Ndakazongoona
ndakutokiswa pamuromo ndikaramba
ndakastika achibva arega akati "asi hauzvidi
bby" akadaro achindibvunza ndikaramba
ndakanyarara, ndakanga ndisingazivi
zvazvinoitwa ini ndaitotya kuruma mwana
wevanhu.akati

"Pamwe ndakumhanyira bby sorry handi"


ndakangogutsurira chete akati "ndakuenda
bby usare bho usanditorerwewo please ,l
love you babe" ndikati "l love you
too,andimbotorwi" akati "thank you, Rea
anokuda baby chirega ndiende ndine
zvandoda kunogadzirisa kumba umhorese
gogo" akadaro achidzokera kumota
ndikasara ndakatuzura. Akasvika kumota
yake akapinda mukati ndakangomutarisa
akadzikisa window akati "asi waida kuswera
neni bby" akadaro achidaidzira ndikadaira
nemusoro akati

"Sorry bby wangu ndichazoswera newe


rimwe zuva chienda kumba" akadaro
ndikaramba ndakamira kusvika amutsa
mota yake akandibhaibhisa akaenda. Moyo
wangu wakatorwadza kumuona achienda.

Pandakanga ndovhura gate ndakabva


ndanzwa izwi kumashure kwangu
ndikacheuka ndokuona ari one we
vakomana vaya vandainzi nagogo
ndisatambira pedyo navo. Ndakamu ignore
ndokuvhura hangu kugedhe ,ndakupinda
mukati ka setchel kangu kandakanga
ndakabereka kakabva kabatwa. Ndakanzwa
hasha ndikazama kudhonza bag rangu asi
rakanga ratobatwa nesimba akati
"Ndokumbirawo kutaura newe musikana
two minutes chete" ndakaridza tsamwa
akati "ndakutuka here" ndikati "uri kubatirei
bag rangu wakamborohwa here?" Ndainge
ndatsamwa ndaisafana kumusekerera
nekuti pakusekerera munhu paya anobva
akupinda obva akuita yaada akati
"chindipawo number dzako" ndikati "enda
unoparwa maziso ako uone zvakanaka"
Ndakadaro akati "hindava?" Ndikati "uri
kundikumbira number waona ndakabata
foni pano here? Siya bag rangu ndoda
kuenda apa" Ndakadaro ndichitaura
zvehasha ndakanga ndakutosvotwa, akanga
asina kumboshata hake ndakatoona kuti
runako irworwo ndirwo runovanyengera
kumitisa vana vevanhu akati

"Baby kani ndiri kungoda number dzako


ndobva ndaenda" ndakabhoikana achinditi
babe , Rea ndiye aiva nekodzero yekunditi
bby kwete vamwe vose ava ndikati "nda
musikana wako manje" akaseka akati "sorry
chindipawo # ndibaye hangu apa wakanaka
shaa uhm.... " Akadaro akanditarisa
ndikabva ndadaidzira gogo ndakanga
ndisingachadi zvinonetsa,ndaida apedzerwe
nama Chuma akati

"Asi hausati wamboita mukomana kani


wakuda kunditukisa manje ndichazouya
kutora number bye" akadaro achibva
amhanya kuenda,ndakatomboseka hangu
maybe gogo anovaziva kuti vanotuka chaiko
sei akatiza pandakavadana.

Ndakapinda mumba ndikaona gogo vari mu


bath ndikananga kuroom kwangu.
Ndakarongedza hembe dzangu mu wadrope.
Gogo vakazopedza kugeza ndikavaudza kuti
ndatengerwa hembe. Ndaingorova mazi
smile angu ndega. Rudo rwa Rea rwakanga
rwovhiringa brain dzangu, Hapana chimwe
chandakanga ndichafunga kunze kwa Rea.

"Ukati hauna kuudzwa zvinotapira here


iwe?" Vakadaro gogo ndikabva
ndavhunduka ndikati "neiko gogo" vakati
"mufaro wako nhasi wakawandisa"
ndakabva ndafunga kutovaudza kuti
ndamuudza zvandaifunga. Ndikati "gogo ,
muzukuru wenyu ndamuudza kuti
ndinokuda" vakabva vasekerera vakati "hoo
kana mawirirana hapana chakashata asi.
Wagona muzukuru kwete zvawanga woda
kuita nababa Chipo" ndikati "kudii gogo"
vakati "kuchengeta secret yenyu" ndakabva
ndaseka zvagogo futi ndikati "gogo kani
kwaiva kutya kuya". Zvikanzi "asi ndinoda
kukuudza chinhu one muzukuru........."
*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:49] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/BuWwWTD412
GDkJqZx8blN1

*POOR SHUPIKAI*
*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*Chapter 21*
*REA*

Hana yangu yàkarova zvakanyanya


ndichiona munhu aiva pa side pangu.
Ndakazvitarisa ini wacho ndokuona ndisina
kana chi boxer short zvacho. Pfungwa
dzangu dzakatanga kuvhiringika chaiko.
Ndakatora hembe dzangu ndikapfeka
nekukasira. Ndakabva ndafugura munhu
uya, jira racho ndikarikanda kwakadaro uko.
Ndakazopera simba ndichiona ari kimbi
hake. Ndakanzwa kutsva ndakamutarisa
kudaro. Kana dziri hasha
handichatauri ,hamawee ndakabitirirwa
chaiko.

Apa akanga asina zvake hembe achiridza


ngonono. Masiriri achierera nematama
hake,aitova zvake kuhutsi kwe hope.
Ndakangotora jira riya ndikamuvhara sezvo
akanga asina kana pent haro.

Handina kuziva kuti chii chakanga chichiitika


nguva iyoyo ,musoro wangu waibanda
kurwadza chaiko ,kuti ndizive zvakaitika
ndinganyepa apana kana chimwe
chandaiziva.

Ndakanzwa hasha dzangu dzichinatsa


kundibata ndikazamurira kimbi zigwati re
mbama. Mwana wevanhu akamuka
achijamba akanomira ku corner kumadziro
chaiko. Chakazondibhowa kunatsa
kundishamira kunga ndiri murume wake.

"Asi kimbi zvinombokudii chaizvo uri


kutsvagei muroom mangu" ndakadaro
ndisingagoni kunatsotaura nehasha
dzandaiva nadzo. Uyu ndiye andaida
kunatsa kupa size yake. Ndakakiya door
ndisingadi kuti abude ndisina kupedzerana
naye cz aigona kuzotiza.

"Kasira kuzvivhara hako handisi murume


wako ini ,mahure munonetsa mhani"
ndainge ndatarisa side ndisingadi kuona
akashama aizotoona senge ndiri kuyeverwa
naye. Ndaiyeverwa neyi iwo mazamo ake
akanga akaita zvekurara ungati ndee
mukadzi mukuru iye ari musikana. Vamwe
vana mai mudzimba umu vari kugara
nemvana zvokwadi vachifunga kuti vana
vachiri vasikana ivo vakuziva varume. Apa
akanga akatogera hake zasi kwake kusina
kana bvudzi.

Ndini ndadii hangu iya ziso harina nzira


ndakatoonerera pana kimbi. Hapana kana
chandakayemura asi kunze
kwekusvotwa ,ndakazotarisa kwaiva
nakimbi uko ndikaona apfeka hembe dzake.
"Wakarara muno uchiitei usandiudza kuti
wakandiita murume iwe." Ndakadaro
ndichifamba kuenda kwaaiva ku corner. Iye
akanga ohuta serutsanga ruri mumvura
akati "Rea wakandiitei...." Ndakamupa
imwe mbama achibva adonha pasi. Andina
kana kumunzwira tsitsi ini ,iro hure irori
ndaida kurinzwira tsitsi pachii? Akatanga
kuchema ndikati "nyarara zvako
ndinokuuraya kimbi ,ndiudze kuti wanga uri
kuitei muno wakandishamira ende zviri
kuratidza kuti pane zvawakandiita iwe"

Akanyarara akapukuta misodzi yake ,


achibva asimuka akamira
ndikambodzikamisa hasha dzangu ndichida
kuti atsanangure zvakanaka akati "handina
zvandàkakuita Rea ndakauya pano manheru
ndakanga ndatumwa na mama ndikakuona
wakadhakwa ukandidhonza kuuya neni
muroom mako muno ukandiita mukadzi"
ndakapererwa hama ndaizomuita mukadzi
sei nhaimi apana kana chandaimboziva. Uye
doro racho ndakarimwa kupi futi kuita
sendinonwa doro.

"Inini kukuita mukadzi kimbi?" Ndakadaro


ndichida kunatsa kunzwisisa chaiko.
Confusion yakabva yandibata nguva iyoyo.
Ndakagara pabed ndichinatsa kufungisisa
zvakaitika. Ndakanatsa kubva ku church
zvakanaka ndikasvika pamba ndichibva
ndadya food ye manheru ndikanwa nedrink.
Kupedza kudya kwandakaita ndakabva
ndanzwa hope ndikanorara. So zvaitaura
kimbi zvakandirambira ini.

"Taura chokwadi ndisati ndakuzvambaradza


nekuti hasha dzandinadzo ndinogona
kukuuraya zuva rakacheka nyika" ndainge
ndasimuka ndotenderera neimba yose akati
"please Rea usandirove hapana
zvandakakuita ini apa uri kundirova iwe
wakarara neni ko ndikaita mimba kei?"
Akadaro kimbi akutochema.
"Ko blood racho riri papi rinoratidza kuti
ndakakubata ndikarara newe" akabva
atanga kuboira maziso ake achishaya
zvekutaura. Chero kuchema kwaiita kuya
akabva amira. Ndikati "ko hausi kunzwa
here? Ndati ndiratidze pane blood racho
ndibvume zvechokwadi kuti ndakarara
newe ,sei uchida kunyepa nhaiwe doro
racho handina kana kurinwa
wakambondiona ndichinwa here?"
Ñdakadaro takatarisana akati

"Handisi kuzivawo kuti neyi wanga


wakadhakwa ,ndakazama kuda kuzvinunura
asi wakanga wakandibata nesimba dzimara
wandiita mukadzi ,sei wakarara neni iwe
waindiudza kuti haundidi" akadaro
akuchema nhando ndikamukwapaidza
mbama. Aida kundijairira mhani. Zvekurova
munhukadzi ndakanga ndisiñgazvidi asi
kimbi aitondituma kuti ndimurove nekuda
kwekupusa kwake ndikati "zvese zvauri
kutaura inyambo idzi ndiri kuda kuona pane
blood" ñdakadaro akati "ndakamuka
ndikageza" ndakamubata mutsipa wake
ndanga ndafunga kutomuita zvisizvo
ndikamupfanyirira kumadziro akaridza
mhere yainzikwa chero nana mom.kimbi
akatanga kubudisa ziso jena jena rakati
mbuu kuchena , andina kuda kudzora
tsvimbo nekuti hanzi gudo rabata kumeso.
Ndakazomusiya ndanzwa nock padoor.

Handina kudavira ndokuramba


ndakanyarara. Kimbi akanga oda kuridza
mhere ndikamubata muromo wake kuti
asaita noise ,ndikabva ndamupfanya futi
nemhino yake,ndainge ndagarwa nemweya
wekuda kuuraya chaiko. Kimbi akanga
andirwadzisa mhani ,pfungwa dzangu
dzakafunga kuti zvimwe ndakanga
ndarongerwa. Mashoko akimbi aya ekuti
nerimwe zuva achava mukadzi wangu
akabva atenderera mumusoro mangu
ndikadzungudza soro rangu ndichifunga kuti
ndiri kurota. Hoo nhai kana akanga agara
akazvironga ndaizopedzerana naye.

"Rea,,,,Rea urimo here umo"

Vakadaro mama vachidanidzira vakamira pa


door. Ndakabva ndagadzirisa pahuro pangu
ndikati "ndirimo mama matii?" Ndakadavira
ne voice rakadzikama ndaisada kuvaratidza
kuti pane zviri kuitika ndaida kupedza nyaya
dzangu ndega cz nyaya yacho
ikangopindirwa na mom ndinobva ndatonzi
gara nemunhu wako.

"Saka noise yandakanzwa ndeyeiko?"


Vakadaro mama ,kimbi kakatanga
kupaparika kunga kahuku kari kuda
kuchekwa ndikaramba ndakaisa ruoko
rwangu pamuromo wake ndikati "Amuna
noise muno mashaisha kunzwa maybe zviri
pa next apo" Ndakadaro zvikanzi "hoo
ndaiti pamwe pane chaitika." Andina
kuzodaira ndikaramba ndakanyarara
ndikazonzwa ma footsteps kuratidza kuti
vakuenda. Ndakaregedza kimbi akaita
zvekugwadaira kunga mombe iri pa
joke.ñdikati

"But why kimbi ndakakutadzirei


chaizvo,why uchida kundituma kuita zvisina
basa ndakakuudza kuti handikudi kimbi asi
hausi kuda kunzwa asi wakandi drugger?"
Ndainge ndadzikamisa hasha dzangu.
Ndakatoona kuti hasha hadzi solve
nyaya ,kimbi aingokwiridzira madzihwa apa
maziso ake akanga aita red maybe kuchema
kwaiita akati "handina zvandakaita , Rea
wandikanyira hupenyu hwangu nhumbu
ikabata unoda ndigoita sei nayo".

Akadaro achipukuta madzihwa ndikati


"unobvisa semabvisire awakaita ya Dudu"
Ndakadaro ndisiri kana kumbogaya.
Ndakaona achinyara zvese nekupererwa
ndikati "buda mumba mangu
uyende ,mahure munonetsa imi kuda
kuwana pekuzororera manje handikudi ini
wakapera panonaka hauchina huchi wasara
mazana chete manje iwawo handibati."
Ndakaona zvimusodzi zvaiti dododo
kudonha kubva mumaziso ake akati

"Rea Mwari ngaave newe ,ini handina


nhumbu yandakambobvisa kana ari Dudu
akanyepa izvozvo ari kutozama kuda
kusvibisa zita rangu ,chandoda
kungokuudza ndeche kuti kana ndikabata
nhumbu usafa uchifunga kuti ndinoibvisa
haa bodo ndadirei kuuraya chipo che
mwana chinobva kuna Mwari chandinenge
ndapiwa ko kana ari iye ega andinenge
ndapiwa ini ndouraya aah handisi muroyi
ini ,ikangobata chete ndinouya kugara pano
nekuti kumba uko kunenge kusingachagariki
ndenge ndonzi enda kumuridzi wenhumbu ,
ndizvo zvawaindizvuzvurudza kuuya neni
kuno kuti urare neni nhumbu ibate
ndigobvisa haa kana Rea usafunga hako
izvozvo wotoona kuti waudza vabereki vako
here ukarega ndinovaudza ndemene kuti
wakandi raper."

Ndakapererwa nemashoko akimbi chero


simba rekumurova racho ndakanga
ndisisina ini. Aitotatura zvake zvaanoda
mwana wevanhu. Handina kana
kumboratidza kutya zvaaitaura , ndakabva
ndaseka ndikati "Saka waitorevesa nhai
paya pawaiti uchazova mukadzi wangu
nerimwe zuva ah zvino kanganwa hako
handimbokuroori ini chenjera kuti zvauri
kuita izvi uchachema zvako nazvo ita hako
zvauri kuda kuita"

Ndakadaro ndichirara pamubhedha


nemusana makumbo ari mudenga akati
"kana wanga usingandidi wotodzidzira
kundida ,waichemerera manheru uri
pamusoro pangu waiti uri padhongi here?"
Ndakamuka nekukasika ndikatarisa kimbi
uyo aitomama zvake kutaura ungati aiva
pachemba ndikati "unobuda muno
uchimhanya wanzwa usada kundijairira
handisi mwana wako ,kana wanga wajaira
kuitira Dudu izvozvo manje neni unofa
nekurohwa handimbokujaidzi ,vhura door
ubude uyende handichadi kuona face yako
muno uri sascum."

Akatora ma key achibva avhura door akati


"zvandataura wazvinzwa here ubatisise
mashoko angu , junior Rea katovamo umu."
Ndakaridza tsamwa achibva abuda akaenda.
Stress yakabva yandibata nguva iyoyo ,
ndakamboda kuchema asi ndakazvishingisa
semunhu rume but ndainzwa kurwadziwa
chaiko. Kimbi ndakatoona kuti ari kuda
kuvhiringa zvinhu zvangu. Kuona kwangu
ndakaona sendakaisirwa drug mu drink
randakanwa.

Ndakabatikana zvisingaiti ndikabva


ndanogeza ndikaenda downstairs
ndikawana Lizzy achigadzira table
ndikamhoresana naye. Ndakagara pa table
pacho asi ndaisatoda chikafu ini.
Ndakatarisa Lizzy uyo ndikaona achipipisa
maziso ake achiita seane zvaanoda kutaura.
Ndakambo ignore kakuita kake but
ndakazodzimara ndabvunza ndikati
"Lizzy,une zvekutaura here?" Ndakadaro
akati "uhm aah.... No" akadaro ndikaramba
ndakamutarisa achibva atarisa side aine
nyadzi ,kunyara kwacho aitoita senge
munhu asina kupfeka. Ndikati "Asi une
zvauri kuziva zvakaitika last night"
Ndakadaro ndakamudzvokora chaiko
achibva atora nguva akanyarara achiita
seanofunga achibva azodzungudza musoro.
Ndikati "Lizzy nditevere now" Ndakadaro
ndichinanga kuroom kwangu ndaida
kunatsa kumubvunzisisa chaiko nekuti
andina kunzwisisa kakuita kake zvimwe
aiziva zvakaitika hake. Ndakapinda mumba
ndokugara pabed ,angamboita nguva asati
atezevera ndikazoona achipinda
ndikamuratidza pekugara achibva agara.

Face yake yairatidza kuti ari kutya ndikati


"kana pane zvauri kuziva ndiudze Lizzy
please" Ndakadaro ziso rangu ringori paari
akati "andisi kuziva kuti muri kurevei uye
nyaya yei?" Akadaro akatsikitsira ndikati
"taura wakanditarisa sei uchiita sekuti une
zvauri kuziva. Drink randakanwa nezuro
raiva nei?" Ndakadaro achibva anatsa
kuvhurisa maziso ake akati "apana neyi
madaro" ndakanzwa hasha zvekuti ndaida
kutomurova chaiko ndikazvidzora pamwe
hapana chaaizivawo hake ndikati "kana
pane chausiri kuziva enda hako asi
ndikazozvibata chete uchenjere hako cz
neni unofa , ndabvunza iwe cz ndiwe
unobika nekupa vanhu chikafu, drink
randakanwa harina kundiitira."

Akabva apfugama pasi akuda kutochema


achibva ati "sorry handi..." Ndakamukata
ndikati "wati hausi kuziva Lizzy chienda
hako ndapedza newe ,munhu iyeye
akazviita ndichamubata zvangu hapana
chokwadi chinorova zvese zvichangobuda
pachena." Ndakadaro achibva abuda
ndikasara ndichifonera Dee. Ndakanga
ndisingadi kuti andiudze zvaaifunga pafon
ndikabva ndatofunga kuendako pamwe
stress yangu yaimboita nane.

Ndakanomuona asi ndaive ndangoneta neta


but ndaisada kuzviratidza kwaari.
Akazondiudza kuti anodawo nezvangu
ndikafara chaizvo kutombokanganwa
nhamo dzangu dzese. Asi ndainzwa kunga
ndakaitira Dee zvisina basa nekuda
kwezvakaitika madeko acho uye anditozive
zvakanatsa kuitika zvacho. Ndaiti
ndikafunga kimbi achindiudza kuti
ndakarara naye ndaibva ndabaiwa pamoyo
pangu. Asi chaindinetsa inini sabhuku
wangu handina kana kumbonzwa
ichirwadza kuratidza kuti ndakarara
nemunhu plus ganda racho rakanga risina
kudambuka futi , ndakanga ndisati
ndakamborara nemusikana kubva
mukukura kwangu kwese. Zvino
zvaindinetsa kimbi achiti tarara tese
ndakabva ndaona kuti mazano ekuda kuti
ndimuroore zvino ainge airasa kana aida
kuzondipa nhumbu isiri yangu ndainetsana
naye chete. Kana zvirizvo zvakarongwa na
Mwari kuti ndiwo achava maroorere angu
ndaizozviramba ini kuroora munhu
andisingadi ndichisiya ruva rangu randinoda
haa kana hazviiti.
Dee ndakaona kuti akanga andidawo
zvechokwadi semadire andinomuitawo.
Chandaingoda ndeche kuti rudo rwangu
naye rurambe ruchibhedha semoto uye
rusadzimike semoto wemakwande.
Kundiudza kwaakaita kuti anondida
ndakabva ndanzwa zviri nane ndikadzokera
kumba. Ndakanga ndisingadi zvekutaura
nevanhu vepamba apa cz ndaitonzwa
kusvotwa nazvo. Chero chikafu chavo
chavanobika ndakanga ndisingachadi
kuchidya.

Ndakaenda kuroom kwangu ndikanorara


zvangu nditori nezvangu mupfungwa
dzangu. Zuva rakavira ndingori muroom
mangu ndikazonzwa nock padoor
ndikaramba ndakanyarara. Akaramba achi
nocker munhu wacho ndikamuti pinda
nditori nehasha chaidzo. Aiva Lizzy zvake
aitondibhowa nekundinyepera kwakanga
aita akati "ndiuye nechikafu here?" Akadaro
achindibvunza ndikati "endai munodya
chikafu chenyu kuda kundi drugger muri
imbwa dzevanhu" Ndakadaro ndine hasha
chaidzo. Akabuda asina chaataura ndikasara
ndikakiya door rangu. Vanhu ava vanoda
kundijairira chete. Pane madhiri
akatambiwa chete pakati pana Lizzy na
kimbi vanenge vakanyengerana zvisina basa
sei Lizzy aiita seanoda kundiudza
something.vaizivana chete ndizvo
zvandakaona ini.

Ndakarara asi hope adzina kana kuda


kundinyangira hadzo. Dai Dee wangu aiva
padhuze ndiye aigona kupedza stress
yandaiva nayo zvino aiva kure hake ,apa
asingatozive kuti ddy vake vane stress.
Ndainge ndatomusuwa chaiko mudiwa
wangu. Andife ndakasiya Dee kunyangwe
zviome sei ndichamira naye pose pakuoma
kwazvo nepakunaka kwazvo ndenge
ndingori naye even nemvura inga dhehwa
akaimba wani.

Ndakazobatirwa nehope ndikarara hangu.


Asi ndaingoti ndikati rare-rare ndotomuka
ameno kuti chii? Nyaya ya kimbi
yaingotenderera mudzoro rangu fanike
ndikafunga kuti ndakaedzerwa naye
muroom mangu ndaibva ndanzwa zigodo
raiuya kuti ndii pahuro pangu. Mwana
anonzi kimbi anopaparika nhema mhani
manje ndaida kuzozvipedza.

Kuchiedza ndakamuka ndikanogeza hangu.


Ndakanga ndakunzwa nzara asi ndaisada
kudya chikafu chinobikwa na Lizzy ndakanga
ndisingachamu trust kana kamwe.
Ndakapedza ndikabuda nemota yangu
ndikanotenga zvekudya. Ndakadzoka
kumba ndikawana Lizzy achi cleaner
mumba akandimhoresa ndikamudavira
ndikati "mom vamuka here?" Akati "Eh asi
vambobuda vati vari kuenda ku town"
akadaro ndikati "okay".

Ndakabva ndawana mukana wekumbotaura


nadad ndine zvandaida kuvabvunza
zvandaida kuziva. Ndakanovanokera
kuroom kwavo vakamuka tikaenda ku
sitting room. Takagara pasi ndikati.........

*KIMBERLY*

Nyaya yakanga yakunditemesa musoro


ndeye video raiva na Dudu. Ndaiti
ndikafunga nezvazvo hana yangu yaibva
yarova chaizvo. Ndakamboda kuzvirasira
kure asi ndakabva ndafunga mashoko
aDudu , munhu wacho haana kukwana
anogona kusender video racho sekutaura
kwaakaita.
Ndakazongozvipira kuita zvaanoda
zvacho ,ko ndaigodii ini ndakanga
ndatambwa yakapenga hangu.

Mazuva iwaya ndainge ndadzikama


kupaparika kwese kwapera kuti hwaa.asi
mupfungwa dzangu Rea haana kumbobvira
abuda. Ndakanga ndisingachazivi kuti
ndochidini zvino. Ndakazongoti rimwe zuva
ndakarara hangu ndikafunga kushandisira
Rea drug ndorara nayi nhumbu yobva
yabata. Ndaida kutoita mukadzi wake zvaive
zvotondinonokera kana iri nyaya yekundida
aizodzidzira kundida kwacho kana takugara
tese.

Hazvina kumbondinetsa ndikabva ndaenda


kunotenga madrugs acho ndikaenda kumba
kwana Rea. Mai vacho ndakanga ndisingadi
kuvaudza ndaida kuita madhiri angu
chinyararire. Ndaizovaudza kana zvaita.
Ndakataura na Lizzy musikana wavo webasa
akamboda kuramba ramba ndikakaitira
hasha kakazobvuma kutora madrugs acho
ndikamuudza zvaaizofana kuita zvacho.

Ndakamuudza kuti aise mudrink ra Rea


chete. Iye wacho ainzi aenda ku church.
Ndakadzokera kumba ndakanga ndakuita
ndichivanda mom cz vaisada kundiona
ndichienda kwana Rea.

Ndakagara ndichimirira kuti vanhu varare


ndaida kutotiza manheru acho ndoenda
kunorara na Rea. Nguva dzekurara
dzakakwana vanhu vakaenda kunorara.
Ndakabva ndatobuda ndikaenda kumba
kwana Rea. Ndaingoda kuti kuchiedza chete
ndotodzokera kumba vana mom vasati
vamuka.

Zvisinei ndakasvika kumba kwana Rea


vanhu vatoenda kunorara ndikaona Lizzy
akachagara. Ndakamubvunza kuti aita here
madhiri akati aita ndikamutenda
ndikatonanga kuroom kwa Rea.

Ndakawana shasha yakatofa zvayo nehope


ndikaziva kuti drug rashanda. Handina kuda
kupedza nguva ndakabva ndabvisa hembe
dzangu dzese kusara ndiri musvo.

Ndakamubvisa hembe dzese ndikayeverwa


ndakamutarisa. Rea aive nemvere dzaiita
kuti muviri wangu uti zharara.kuzoti
sabhuku wake wacho andichatauri zvangu.
Ndakabata bata kuti imuke but hazvina
kuita sekudaro. Yaitoita seyakarohwa
nechando zvayo. Ndakazama zvese
zvandaifungira kuti zvingaita asi hapana
chakabuda.

Ndakasvotwa zvisingaiti. Ndakatononoka


kurara ndichiedza asi kwaiva kugarira guyo
sembwa. Zvino handizivi kuti ndaizodii
chaizvo kuti ndiite nhumbu. Hapana imwe
plan yandaihwina Rea kunze kwemupa
nhumbu ,zvino sabhuku wake wakanga
waramba kumuka ndakabva ndatorara
zvangu. Paizondiona aizongofunga kuti
takarara tese isu tisina zvedu.

Nguva dzakafamba ndikazorarawo hope


kwakutoedza. Ndakazomutswa
nembama ,hama ende Rea ane hasha
dzisingaiti ndakayuwira ndichirohwa na Rea.
Ndakada kumbotaura chokwad kuri kutya
kurohwa asi ndakafunga kuti ndikataura
chokwadi handingahwinhi Rea.

Rea akanga oda kutondiuraya chaiko


paakandidzipa pahuro pangu. Ndakachema
ndikazvirega, ndainge ndodemba
chandakazviitira. Ndakanga ndisati
ndambona munhu anotsamwa sa Rea.
Mashoko ake akandibaya pamoyo pangu
akandiudzirira zvese nezve kubvisa nhumbu
kwandakaita.Asi Dudu harevesi shuwa
kutoudza nyika yese kuti ndakabvisa
nhumbu. Ndakanyara zvisingaiti
ndikazongomuudzawo mashoko andainzwa
kuda ndikabuda ndikaenda.

Ndichingobuda gate ravo hana yangu


yakabva yarova. Ndakanzwa kutya sezvo
zuva rakanga ratokwira apa ndisina kurara
kumba ndakashaya kuti mama
ndaizovaudza kuti chii.

Ndakaenda kumba hana yangu ichirova


zvakanyanya. Neche mumoyo mangu
ndaingoti hameno ndoona ndasvika kumba
kwacho. Ndichisvika kumba ndakatanga
kunyahwaira ndisingadi kuonekwa. Zvinoita
satan so ndakabva ndaonekwa namama
vachibuda mu dining ndikabva ndatuzura.
Ivo vakabva vagumbatira maoko avo
vachitopererwa. Vakati
"Huya kuno" vakadaro vachinanga kuroom
kwavo ndikatevera mumashure mavo.hana
yangu yakaita seichabuda nguva iyoyo.
Ndichipinda mumba ndakabva ndanamwa
neshamhu neche padumbu apa kana
kumbotarisa zvavo kuti vari kurova pai.

Ndakaridza mhere apa ndakanga ndabva


futi kurohwa na Rea. Kusvika kumba
nekutogashirwa neshamhu. Zvikanzi
"wakarara kupi?" Handina kukwanisa
kudaira ndikapiwa futi imwe shamhu.
Mama vairatidza kuti vakatsamwa
zvisingaiti.

"Ndati wakarara kupiko iwe handidi mwana


benzi ini wakatanga rini kusarara pamba"
ndaingobudisa misodzi nemadzihwa uku
ndichikwenya pandakanga ndarohwa.
Kunyarara kwakandaita ndakabva
ndakwidza mama hasha dzavo ndikarohwa
zvekuti ndakataura kwandakarara.
Ndaigona kaa kutofa nekurohwa kuita
sekuti handigoni kutaura vakati

"Handina kukuudza here kuti kwana Rea


handidi kukuona uchienda waitsvageiko?"
Vakadaro mama ndikati "ndaida kurara
ndichitamba na Lizzy" ndakanyepa vakati
"pano hapana wekutamba naye here? Inga
pano musikana webasa aripowo wani waida
kutaimira Rea kaa sei uchida kundinetsa
iwewe ,vana sisi vako vaiva vanhu kwavo
iwewe unoda kuita nzenza here
zvinombokudii chaizvo haugoni kudzikama"

Vakadaro vachindirova imwe shamhu.


Nyama dzangu dzakange dzakurwadza
nekurohwa zvino. Apa mama vairova chero
pavada havo. Ndakaenda kuroom kwangu
ndikanozvambarara ndichichema. Kungoti
Rea ndiye akanga andikiira door ingadai
ndakakurumidza kusvika kumba vana mama
vakacharara.
Ndakarara kudaro foni yangu yakarira
ndikaona ari Dudu ndikaridza tsamwa ndichi
ignore foni yacho. Yakasvika pakukata
ndisina kudavira. Pasina nguva yakarira futi
ndikaitora ndikadavira zvehasha akati

"Dzikama mhani hasha ndedzei?" Akadaro


ndikati

"Uri kudeiko" Ndakadaro ndichipukuta


misodzi yangu.akati

"Mangwana usvike kumba kwangu" ndikati

"Handina nguv..." Ndakagurwa ndisati


ndapedza akati

"Handisi kuda ma excuses ako ndiri kuda


kukuona kuden kwangu mangwana"
Achibva akata foni ndikatura mafemo
ekupererwa chaiko. Dudu akanga akuda
kundiona sehure rake mhani nekuda kwechi
video ichocho. Ndakabhoikana zvisingaiti,
Asi ndine zvandakafunga nguva iyoyo
zvaigona kuzoti plan yangu ibudirire.

*End of chapter*

*Love you all guys *

*NGATIPEI MA CMNTS GUYS❤ *

[27/08, 17:49] +27 62 114 1536: Follow this


link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Ios8pJVRKQMH
lNt7dCSxKE

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*
#0621141536

*Chapter 22*

*DELIVERANCE*

"Muzukuru apa hapavhurwi


zvachose ,ndezve kutopatsvikinya handi
wave nemukomana utambe wakachenjera ,
hongu muzukuru wangu munhu kwaye asi
handidi kuti ukanganiswe usati waroorwa
nekuti kuonana kwamunenge muchiita
kuuya azotadza kuzvi controller dzimwe
nguva motoita zvevakuru. Handidi kuti
zviitike izvozvo Deri ita mwana kwaye
handiti. Uye ratidzawo mumwe wako rudo
nekuti anokuda uyo ndakazviona hangu
kare ,ruremekedzo runodiwawo kune
mumwe wako anatse kugutsikana kuti uri
mwana anobva kune vanhu."

Vakadaro gogo vachindiraira ndikanatsa


kubatisisa mashoko avo ,ndikati "maita basa
gogo ndichaita sezvamareva" ndakabva
ndabika sadza remanheru. Ndakapedza
tikabva tadya zvedu. Ndaida kutaura
nagogo nyaya yekuti nditsvage hangu
basa ,kuswera ndakagara kwaisandiitira
zvachose. Ndaida kubatsirana nagogo vangu
ivo vachiita havo zvemusika wavo ini
ndichishandawo zvobva zvaendeka.ndikati
"Gogo ,ko ndikatsvaga hangu basa pane
chakaipa here?" Ndaida kunzwawo
zvavanotaura vakati "unoritsvagirepi basa
racho" ndainge ndisina pekutangira kuti
ndoritsvaga kupi chaiko ndikati
"ndichangofamba kune dzimba dzakanaka
handimborishayi" Ndakadaro gogo vakati
"wati ndinombokurambidza here? Zvinoda
moyo wako ndizvo zvaunoita" vakadaro
ndikati "horaiti gogo kuswera ndakagara
kunorwadza ,ndichaona mangwana kuti
ndanotsvaga here basa racho".

Takazotaura dzimwe nyaya takatandara


kudaro. Nguva dzakafamba tikaonekana
nagogo ndikaenda kuroom kwangu.
Ndakaisa mabvi angu pasi ndokutanga
kunamata ndichiisa nezita ra Rea mukati
kuti rudo rwedu rusawana anoparadza.

Ndakazokwira pabed ndikazvambarara


hangu. Rea haana kufona ,ndaiti
achafonawo achindibvunza kuti waswera
sei asi azvina kudaro. Handina kunyanya
kurwadziwa hangu nazvo cz ndaive
ndambomuona. Hope dzakazondibata
ndikarara hangu. Zuva iri ndakamukira
chaiko ndikaita basa rangu rese. Gogo
vakazomuka ndatogadzira tea tikabva
tatomwa zvedu. Takapedza kunwa gogo
vakati "uri kubudirira kuenda here
kwawaitaura" vakadaro gogo ndikamboita
sendinofunga ndikati "yeah ndafunga
kuenda gogo regai ndinogeza."

Ndakabva ndaenda kunogeza. Handina


kupedza nguva ndirimo ndainge
ndatopedza zvangu. Ndakatarisa hembe
dzakanaka ndikapfeka. Zvihembe ndakanga
ndanazvo zvakawanda. Rea akandigonera
hake nekundichenesa kwaaiita. Kuti
ndionekerewo semunhu anogara nevanhu
ndiye Rea.
Ndichipedza kupfeka ndakaenda kunooneka
gogo vakati "kana washaya udzoke kumba
kwete kuzoramba uchingombeya kunga
benzi ,unorasika muno mu Harare hakusi
kumusha wanzwa" vakadaro gogo
vachindityira ndikati "handirasiki gogo
ndingatadza kuziva kwandinenge ndabva
here?" Vakati "unenge wabatwa
nechadzimira wongoramba uchienda , ko
kuzopfeka hembe dzakati hwee kudaro
vanozoona kunga usingadi basa" ndikati

"Aah gogo maida ndipfeke madzoto here


vanondiramba kaa vachifunga kuti ndine
utsvina asi vakangoonawo ndiri smart kudai
vanobva vabvuma ,hamuvazivi vanhu kuti
havadi tsvina gogo." Vakati "yeah asi taura
hako chienda" ndakabva ndanotora foni
yangu zvimwe Rea aizofona hake kwaiva
kungofamba nayo hangu. Ndakayiisa muchi
handbag changu ndikabuda kuenda.
Ndakafamba kuenda kwaikwirirwa zvimota
ndaida kuenda kune dzimba dzakanaka
kwete muma location ndaisada
kushandamo. Mota dzacho dzaindipfuura
hadzo ndichingodzimisa dzichiramba kumira.
Ndakagara zvangu ndikazoona imwe mota
yakauya kumira mujinga mangu.
Pandakangoona face yemunhu wacho
aidriver ndakabva ndatobhoikana
ndikadzokera kugara pandainge ndakagara
zvikanzi

"Nhai musikana pindaka tiende unoswera


wakagara ipapo nhasi hakuna mota
dzakawanda dziri kufamba ishoma. Wamira
nguvai ipapo usati waona mota hande"
akadaro mukomana uya akandikumbira
number ndikazodaidzira gogo akatiza.
Maiva zvamo nevanhu mumota macho asi
ndaisada kukwira mota yake.
Vakadzi nevarume vaivamo ndivo
vakazosimbirira yekuti kwira tiende.
Ndakazokwira hangu sezvo zvainzi mota
dzaiva shoma ndainge ndatorawo nguva
ndakangomirira mota pasina yaimira. Mota
yakamutswa tikabva taenda zvedu. Vanhu
vaivemo vakatanga kudzika vamwe
ndikadarikira kuenda navo ,ini kwandaienda
kwacho ndaisakuziva ini. Ndaingoda
kudzikira kwandinotangira kuona dzimba
dzakakura. Vanhu vose vakachizopera
kudzika manje ndikasara ndiri ndega
mukomana uya akati

"Uri kuenda papi pacho musikana" akadaro


amisa mota ndikati "kuri kugumira mota
ndiko kwandiri kuenda" akabva aseka
ndikaramba zvangu ndiri serious. Akati
"ndiri kugumira pazimuti iro" akadaro
achinongedza pazimuti racho raiva mberi
ndikati "ndipo pandiri kudzikira" akamutsa
mota yacho tikasvika pamuti wacho achibva
amira ndikavhura door remota ndikabuda.

Ndiri pakati pekutarisa mari yake yandaida


kumupa akati "Saka wakazoshinga
kundinyima number here?" Akadaro
ndikaramba ndakanyarara ndikabvunza kuti
"imarii kukwira kwandaita mota" ndaisaziva
kuti imarii kubva pandakanga ndakwira
mota kusvika pandakadzikira akati

"Ndamboti bhadhara here? Ndipo number


shaa" ainge aita zvekubuda mumota
make ,ndaitozvishaira pazvo kuti sei
achiramba mari yake,ndakangotora
yandaiona kuti inoenderana
nekwandakanga ndabva ndikati "Ooh mari
yako iyi" haana kugashira achibva aramba
akaisa maoko ake muhomwe. Iro ziso rake
raive rakangondidzvokora kuita
seachandidya ndikati "handisi mu picture
waunoramba wakadzvokora kudaro ndati
ooh mari yako ndinoda kuenda ini uri
kutondinonotsa."

Ndainge ndodemba kuti dai ndisina kukwira


zimota rake , akati "handisi kuda mari
yako ,ndiri kuda # dzako shaa runako rwako
rwuri kutosvora maziso angu. Andisati
ndakamboona mwana akanaka sewe
ndabva ndatonzwa kukuda shaa."
Ndakaridza tsamwa ndichimukandira three
dollars yandakanga ndakabata. Airamba
mari yake kuti zviite sei aifunga kut
ndingakwira mota yake mahara here.
Kusina kure kwandasvika ndakabva
ndabatwa rwangu , ndakanzwa hasha
ndakamutarisa zvekuti ndaida kumukwiza
nembama asi ndakazonyara vanhu
vaifamba famba. Ndikati " handikudi ini
ndiregedze ndiende ndisati ndadanidzira
vanhu kuti uri kuda kundi rapper"
Ndakadaro ndakafinyamisa face yangu kuri
kubhoikana akati
"Idzungu here ku raper kuita sei kwauri
kutaura,ndatadza here kukuudza kwandaita
kuti ndinokuda" akadaro ndikati "ndati
andikudi uchiri kudei mari yako
ndakupa ,handisi kuda zvekutsamwiswa
newe" Ndakadaro takadzvokorana achibva
asiya ruoko rwangu ndikatanga kufamba
kuenda , ndakazonzwa ndarohwa kambama
pagaro rangu , veduwe mukomana uyu
akanga akuenderera chaiko ,ndakatoona
kuti haadi kunyarwa mhani. Nguva
yaakandirova kambama ndakabva ndamira
ndokutendeuka ndakashatisa chiso changu ,
ndakafamba kuenda paaiva iye wacho
aingonyemwerera kuita sezvinonzi aita
zvinhu kwazvo.

Dai aiziva zvaiva mumoyo mangu ingadai


akamhanya kupinda mumota yake ,
ndichisvika paari ndakabva ndamuzamurira
mbama achibva adzedzereka akasvikowira
pamota yake,ruoko rwangu rwakasara
ruchipisa. Andina kana kunyara vanhu
vaifamba. Vamwe ndivo vakanga voseka
kuita sevachaumburuka. Boys ndiro raitiwo
hauna hasha vachireva iye mukomana iyeye.

Ndakabva ndati chitsoka ndibereke zvisati


zvashata. Aah akanga atondiona sehure
rake kaa ipapa. Manje aiva atambira kusiko
mhani. Ndakamhanya zvisingaiti
ndisingambocheuki. Ameno akazosara
achidini ini ndaive ndatorova kweza zvangu.
Pakanga pasingachamiriki kaa,mari hameno
akazoidiniwo asi ndakamupa mari yake.

Vakomana ndinovaziva ini aida


kuzondibatirira pakukwira mota yake
mahara zvino ndaive ndakatongwarawo ini.
Ndakazofamba ndaona kuti akuna ari
kunditevera. Ndakaona imwe imba yakanga
yakanaka ndikabva ndaenda ipapo.
Ndakamira pagate ndikaona paine
mukomana aivapo ndikabva ndataura naye
akandiudza kuti vashandi vatoripo.

Ndikadarikira kuenda ndichingobvunza


ndichingonzi tinavo vasikana vebasa.
Ndakabhoikana ndikafunga kudzokera
kumba. Ndiri mukufamba kudaro ndakabva
ndaona ziimba rakanga rakanaka chaizvo
kudarika dzandakanga ndichiona.
Ndakasvika pagate pacho ndikaona paine
mukomana ainge akapfeka hovhorosi
ndikakwazisana naye ndikati

"Ndiri kutsvagawo basa mukoma"


Ndakadaro achibva ati "zvamuri izvozvo
munotsvaga basa rei sisi" akadaro
mukomana uya ndikabva ndazvitarisa
ndichitadza kuziva kuti chinganditadzisa
kutsvaga basa chii? Ndikati "ndiri kutsvaga
chero basa" akabva anditarisa akati "munhu
akanaka kudaro here sisi hamufitwi
nekushanda imi" ndakabva ndaseka ende
aitopenga chete ndikati "riripo here?" Akati
"ehe riripo rega ndivhure gate upinde
unotaura namadam boss" akavhura gedhe
racho achibva aenda neni kwaiva na madam
vacho.

Imba yacho yakanga yakakura raitotyisa


chaiko. Kana tazogara kune vanhu vane
zvinhu zvavo. Tichipinda mumba takawana
madam vacho vakagara pasofa vachinwa
drink. Vakaudziwa zvandainge ndafambira
mukomana uya achibva adzokera ndikagara
pasi chaipo vakati "basa riri pano
unorikwanisa here?" Ndikati "kana
risinganetsi ndinokwanisa" face yamai ava
yakandiratidza kuti vanenge vanonetsa
chaiko.

Vakati "handi wauya usina hembe so


unouya mangwana ndozokuudzira zvekuita
mangwana acho iwawo pamari ndinenge
ndichikupa $100" vakadaro mai vaya
ndikafarira hangu mari yacho. Kwandiri
yakanga yakawanda zvisingaiti. Ndaida
kuzototengera gogo vangu ma blanket
nebhutsu. Zvisinei ndakatendererana namai
vacho ndikabva ndadzokera hangu.

Ndakafamba kuenda kwandakanga


ndadzikira kuya. Ndaingoti dai ndikawana
zigomana riya raenda. Foni yangu yaka
ringer ndikaibudisa muchi handbag.
Ndakadavira zvikanzi

"Babe wangu" akadaro Rea ndikatanga


kunyemwerera ndikati

"Urisei Rea" Ndakadaro akati

"Babe kani itawo kuti dady ndifare"


ndakatanga ndaseka dzaitova nyadzi ndikati

"Kurisei dady" Ndakadaro akati


"Good,ndiri right ini babe kutyira iwe chete"
ndikati

"Aah ndakusuwa ini" akaseka akati

"Shuwa here ndichauya mangwana


ndichikuona babe,ddy havasi kunzwa right"
akadaro Rea ndikati

"Uri kunzwei? Wakuda kundipa stress"


Ndakadaro achibva aseka akati

"Don't worry babe ndinoita right musoro


ndiwo uri kurwadza chete."

Takataura zvakawanda na Rea achibva


azokata foni. Ndakanga ndoita sekuti
ndakapedzisira kumuona kare, ndainge
ndatomusuwa Rea wangu.zvisinei
ndakakwira mota ndikaenda zvangu.
Ndakasvika gogo vachidya zvavo ma orange
ndikavaudza kuti basa ndariwana.
Ndikati "gogo ,makakurire akaita imba
yacho ndamatya ini" Ndakadaro
ndichimenyawo orange rangu vakati "kune
vanhu vane zvinhu zvavo muzukuru"
vakadaro gogo ndikati "pamari vati
vanondipa $100" vakati "yakanaka zvayo
pamba pacho panonzi paaniko?
Zvakafanana neimba inogara mai vako
vandaikuudza nezvazvo vaya yakakura
chaizvo." Vakadaro gogo ndikati "handina
kumbobvunza kuti panonzi paani ndanga
ndichadireiko kuziva zvakawanda ini ndanga
ndawana basa hangu."

"Saka uri kuenda rini?" Ndikati "vati ndiuye


mangwana, kuno ndinenge ndichidzoka ma
weekend gogo ndichambokusuwai"
Ndakadaro gogo vakati
"ndichambosurukirwa ndega hangu dai Sam
aripo zvino haachadi kutodzoka zvake"
vakadaro gogo.
Takazopedza kukurukura ndikambonorara
zvangu. Ndakanga ndaneta nekunzerereka
kwandainge ndaita. Ndakarara
ndikazomuka nguva dzekubika dzakwana.
Ndakabika ndikapedza tichibva tadya zvedu.
Handina kuda kumbotandara ndikanorara
hangu.

Ndichingobatwa nehope ndakabva


ndatanga kurota ,ndairota ndichifamba
murima ndisingambooni chiedza zvacho
chaimboti tai tai. Asi ndaingofamba
zvakadaro ndisingazivi kwandiri kuenda.
Ndakazoti ndafamba chinhambwe ndakaita
sendanzwa vanhu vaifamba vachitevera
mumashure mangu. Handina kuona vanhu
ava nekuda kwerima raivako , ndakabva
ndatanga kumhanya chaizvo.

Kumhanya kwandakaita vakabva vatangawo


kumhanya vachinditevera. Ini hana yangu
yakange yorova muhope imomo ndikatanga
kuchema ndichikumbira rubatsiro asi
andina wandakaona. Ndakazopepuka ndaita
zvekuzununguswa nagogo.vakati

"Chiiko muzukuru ndakunzwa kuroom


kwangu uko uchichema zvadini." Vakadaro
gogo ndikati "hope dzandarota gogo
dzandichityisa." Ndakadaro
ndikavatsanangurira hope dzacho.vakati
"pfugama unamate izvozvi mweya wetsvina
uyoyo ufambe uyende" vakabva vabuda
ndikasara ndichinamata. Handina kuziva
kuti zvairevei ini kufamba murima
kwandaiita. Ndakaita nguva ndisati
ndabatirwa futi nehope ndainge ndotya futi
kurota zvinotyisa. Ndakazorara hangu
ndaida kuzokasira kumuka ndoita basa
rangu rese apa ndaida kuzoona futi Rea
ndobva ndaenda kubasa.
*KIMBERLY*

Kwakaedza ndikaenda kunogeza.


Ndichipedza ndakaenda kunopfeka hembe
dzangu. Ndakabvunza maid kuti mama
vaindepi akati vambobuda. Dad ndaitoziva
kuti vanomukira kuenda kubasa kwavo.
Ndakagara ndichimirira kuti ave masikat
ndizoenda kwa Dudu.

Ndakamboenda zvangu pa mirror


ndichitarisa face yangu ndikaona maziso
angu akatsvuka akaita kakuzvimba.
Ndikaziva kuti kuchema kwandakaita.
Mama vakanga vondirova kuita sevachada
kutondiuraya. Ungati vose na Rea vakanga
vatipirana kuti vandirove.

Ndakadya chikafu chemasikati ndikabuda


ndikaenda kumba kwa Dudu. Maid handina
kumuudza kuti
ndichambobuda ,ndakangoenda
chinyararire. Ndakawana mota ndikakwira
ndokuenda zvangu.mupfungwa dzangu
ndaingoti shuwa kufambira munhu kuti
andiite mukadzi uhm zvakaoma nyaya ye
video yainge yonditemesa musoro.

Dudu akanga otoona pekupedzera hake


nyota yake nekuda kwe video iroro. Moyo
waida kumboramba zvaanoda zvacho asi
ndaibva ndatya zvangu. Ndichisvika kumba
kwake ndakananga kuroom kwake.

Ndisati ndapinda mumba ndakatambirwa


nezvibhotoro zvedoro zvaiva padoor. Uhm
Dudu anozonyanya kunwa doro racho. Iko
kuzonwa pandinenge ndichiuya kumba
kwake ndaitoshaya kuti ndiko kudii.

Ndichipinda ndakawana akarara nemusana


asina kana mubhurugwa zvake. Apa akanga
akamisa chinhu chake mudenga. Kutogara
hake agadzirira zvakaoma shuwa. Asi kuona
kwandakaita asina hembe ndakabva
ndatonzwa kumuda.

"Heyi" Ndakadaro ndakamira padoor.


Haana kumboratidza kuvhunduka kuita
sekuti akanga aona kusvika kwangu.
Akagara pasi akati "watouya" handina
kudaira ndikaramba ndakanyarara hangu.

"Ko haugari pasi here nhaiwe hausi


mudzimu kaa unoramba wakamira ipapo"
ndikati "handisi kuda kugara ini
wandideedzerei kuno" Ndakadaro achibva
aseka achibata junior wake ndikaramba
ndakatarisa ipo pacho.ndakayeverwa
ndakatarisa ndikazonyara ndaona kuti Dudu
akanditarisawo.

"Saka zvawavinga kuno hausi kuzviziva


here?" Akadaro Dudu ndikati "handisi
kuziva ndiri kuda kunzwa zvawandideedzera
ndione kuenda hangu" Ndakadaro achibva
arara futi nemusana. Zva Dudu veduwe
ndinotoshaya kuti pfungwa dzacho
dzakambodii chaizvo kana kumbonyara
zvake. Ndikati

"Taura mhani iwe ndoda kuenda ndine


zvakawanda zvandinoda kuita uri
kutondipedzera nguva yangu." Ndakadaro
ndaita kupeta maoko angu. Akati "kana usiri
kuziva zvawavinga dzokera." Ah saka aida
ndimutange here? Handi ndiye aifana
kunditanga toita zvaari kuda zvacho
ndodzokera zvangu. Dudu akanga
akundiitisa kundiona sefuza rake.

Ndakafamba kuenda pabed pakanga


akarara akati "saka zvandiri kuda hausi
kuzviona here" akadaro achimuka akatanga
kundibata pese pese. Ndakabviswa hembe
dzangu akandiwisira pabed ndokutanga
kunwa mikaka yangu. Imiwee
zvainditekenyedza zvese nekunakidza.
Akaita zvaiita kusvika ndapera simba
akachizobata basa racho. Mwana wevanhu
akafemereka ari pamusoro pangu
ndikazomuwisira paside pangu cz
aitondiremera.

Ndakamboita nguva ndakazvambarara


kudaro ndichibva ndazopfeka hembe
dzangu. Apa Dudu aiita asina kuputira hake.
Ndainge ndotya kuita chirwere cz Dudu
anongoita wese wese cz munhu wacho
anoda zvinhu.

"Next time uputire shaa unoda kundipa aids


dzako" Ndakadaro achibva ati
"zvichimboitirweiko aids dzacho wandiona
ndinadzo here hindava uchifarisa" akadaro
achimisa mazikumbo ake mudenga ndikati
"iwe shaa kuti handikuzivi here unonyenga
chero chembere unongoti chero zvazvaita.
Kana usingadi kuzoputira haundioni futi
pano." Ndakadaro cz zvemunhu anoda
kundiona sefuza rake handimbozvidi akati

"Wakambondisvikira ndine chembere yacho


here? Unongorega kaa kuuya kwacho
ndoita hangu zvondofanira kuita." Ndikati
"but unoda kusvika rini uchindidai
Dudu ,chandakambonyanya kukutadzira
chacho chii chaizvo."

Ndainge ndonzwa kubayiwa pamoyo pangu.


Handizive kuti zvaizogumirepi chaizvo. Akati
"wakauraya mwana wangu kimbi unoti
kutadza kudiki here ikoko ingadai
ndakutonzi baba so ,chawakandibhowa
kimbi wakabvisa nhumbu ndisina kana
kuiramba dai ndakaramba zvainzika manje
ndaitoida nhumbu iyoyo zvese newe wacho
ndaikuda chaiko."

"Oky sorry ndakatadza hangu Dudu


chindiregererawo ipapo. Hapana
zvandaikwanisawo kuita nekuti ndakanga
ndichiri mwana wechikoro ndaisada kusiira
chikoro changu panzira." Ndakadaro
ndichinyepa kunzwisa tsitsi, ndaida kuti
angondinzwisisa arege kushungurudza
moyo wangu nenyaya ye video akati
"ndakunzwa kimbi but ndichiri kuda
makumbo ako shaa" akadaro ndikanzwa
kubhoikana ndikati "unoda makumbo angu
usingadi ini wacho here?" Akati "yeah
iwewe handichina basa newe."
Ndakamuridzira tsamwa. Kutonatsa
kushama ziromo rake achitaura zvisina basa
ndikati

"Mira ndichikuudza wangu inini ndane


nhumbu ya Rea so andichadi kunetswa
newe nekuti ungazotondikanganisira zvinhu
zvangu." Akaseka achibva amuka akati
"wakarara na Rea rini? Asi wakamu druger
kani?" Akadaro Dudu ndikati "ku druger
kwekuita sei ndiye akandibata ega uyo"
kunyepa ndiko kwaiva kubasa kwangu akati

"Ndichamubvunza zvangu" akanga akutoda


kutanga makuhwa ,ndikati "makuhwa
munhu wemukomana haunyari here?" Akati
"ifriend yangu iya ndinganyara chii?
Nemumakirwo awakaitwa na Rea
aigokubata sei uye akanga ayemura chiiko
pauri"

Ndakamurova mbama achibva amuka


akandibata ruoko rwangu akati "handina
zera newe kimbi wakuda kundijairira manje.
Une problem yekusada kuudzwa chokwadi"
ndikati "uchizvitaurirei garaka nazvo
mumoyo mako" akati "ndinokuudza
chokwadi kuti usaganze nemanyepo.kana
uchiti wakarara na Rea wakamu druger
iwewe ko sei usingabvumi kurambwa
hakude kaa siyana naye."
Dudu aiva nepamuromo sepe mukadzi.
Aindibhohwera kuti ainatsa kutaura
chokwadi aisingambohwandisi zvake.
Ndizvo zvaizondimara izvozvo. Zvikanzi
"huya pano babe" akadaro achindidhonza
ndikawira pachest yake , achibva atora foni
yake yaiva pasi pe pillow zvikanzi "ngatione
ma video" akadaro ndikada kuzvibvisa paari
akandibata zvesimba. Aka player video
racho ndikaona riri redu raitaiita mutambo
wevakuru ndikanzwa kupiswa zvakanyanya.
Handizive kuti ndaizoita sei kuti ndibvise
video iroro mufoni yake. Ndakatarisa ka
camera kaya ndikaona karimo futi , kureva
kuti zvatakanga taita futi zvaitorwa ne
camera. Nxa Dudu akaramba achi player
video riya ,amai mwana ndaitonzika kuti
ndaive mudenga rechinomwe pa video iroro
ndichiita noise yekunakirwa. Zvakaoma
veduwe panguva yacho yaunenge
uchinakirwa unenge usina basa nazvo.dudu
akati
"Apa wakanatsa kugona kubata basa ndizvo
zvandokudira izvozvo wakunatsa kuziva
murume kaa iwe asi wakambodanana
nemurume we munhu kani" akadaro Dudu
ndikati "usada kunditapa mashoko angu
Dudu kana ndichinge ndotaurisa wondiona
semunhu akaipa. Dai risiri video iroro
waisandigona iwe." Ndainge ndafutisa
matama sedafi. Dudu aidhuva kuda
kuonererwa chete asi zvimwe zvese bho.
Akati

"Ndataura zvakanaka wani,chindibikirawo


shaa ndiri kunzwa nzara uye husimbe
hwekubika" ndikati "handisi mukadzi wako
ini" akati "eh handina kumboti uri mukadzi
wangu ndiri kukumbira handina kuku forcer
shaa ,ndine zvandinoku forcer zvisiri zvekuti
ndibikire" ndakatora ka handbag
kangu ,zvekuswera nduchiitiswa nemunhu
asina kukwana bodo. Ndakabuda door akati
"zvanhasi zvapfuura wozouya futi rimwe
zuva." Ndikati "sascum yemunhu" handina
kumirira kunzwa zvaaida kutaura ndikabuda.

Hapana zvaitaita tichiwirirana zvaingova


zvekutukana chete , kunyangwe
ndichadanana naye ndizvo zvataingoita
izvozvo. Chero varumudzani havasvikipo.
Ndakaenda kumba ndikadzika mota. Nguva
yandakadzika mota ndakabva ndaona Lizzy
uyo aitobva zvake pana shops. Akandiona
achibva auya kwandaiva. Achisvika haana
kana kundimhoresa akati

"Iwewe wakandimakidza kuti ndiite


zvandakanga ndisingadi now ndatomakwa
na Rea nekuda kwako iwewe
ndinokumbirawo zvee umuudze chokwadi
ndisati ndamuudza ndega." Yowee Lizzy
akanga akatsamwa kwete zvekutamba.
Hameno akanga ahuonepi hushingi
hwekundipopotera kudaro ndikati
"Dzikama shaa ukada kuita dzungu basa
rako rinopera , kumuudza chiiko
chaunotaura ipapa haungandiudziri zvekuita
kaa chenjera kuti ukaita dzungu ndiwe
unosara nenyaya ayizvee wadireiko kuda
kuzvimakisa."

Ndakaona achipererwa ndikaziva kuti


ndamugona. Aiva oda kuita dzungu akati
"saka unoda ndimakwe na Rea here nhai
kimbi izvozvi akutondiona semunhu akaipa
chero chikafu hachatodyi." Akadaro Lizzy
ndikati "chero ukamakwa zvine basa reyi asi
Rea wacho unomudawo kani?" Ndakadaro
achibva ati "handimudi ini handidi
kumakirwa zvinhu zvisina basa ,kana
zvikaramba zvakadaro ndichamuudza kana
kuri kuti basa racho rapera hazvina basa
ngaripere zvaro." Ndakapererwa chaiko ,
Lizzy akanga otoomesa musoro chaiko.
Ndikati "sha wadireiko kudaro iwewe
ingonyarara kana uchida mari ndinokupa"
akati "handina kuti ndinoda mari
yako,pawakandipa zvima drugs zvako
handina kukuudza kuti handidi kuita izvozvo
here?" Lizzy wacho so ndaive ndoshaya kuti
ndoivhara sei nyaya yacho. Lizzy akanga
oitawo kunga Dudu dzungu racho zvese
nekupaparika. Inga ndakanga
ndakatenderana naye zvakanaka wani.
Ungati Rea wacho imhuka ingatyiwa kudaro.
Akabva aenda achiratidza kuti akatsamwa.
Ndakaedza kumumisa kuti titaurirane
akabva aramba achienda. Ndakaenda
kumba ndikawana mama vasati
vadzoka,vanenge vakanga vaenda ku town.
Kurara kwandakanga ndaita na Dudu
handina kunwa mapiritsi. Ndaitoda kuti
nhumbu ibate. Ende zvaisambosiyana
mazuva acho nemusi wandaka drugger Rea
so zvaizongonzi ndeyake nhumbu yacho.
Chandaiziva ndeche kuti mai vacho
vaisambozviramba ,vaibva vatofara.
But Dudu ndakanga ndakumufungira parefu.
Ipapo akanga asingapabudi zvekumhanya.
Kufarisa kwake ndiko kwakanga kwoda
kumupinzisa pakaoma. Ndaisada
kumumhanyira kana kumuitira dzungu ,asi
ndaida kumupfavira ondiona hake sebenzi
but ndichiziva hangu zvandinoita.

Kutotadza kufara nekusununguka nekuda


kwa Dudu haiwa ndaida kumugadzirira size
yake yakakwana. Handingaiti stress
nezvinhu zvisina basa ndaitoda kuzvivharisa
zve video izvozvo. Ndakasekerera hangu
ndakagara pabed ndichibvisa ma nails angu ,
nguva dzakafamba mom na dad vakauya.
Takadya food yemanheru asi ziso
randaipiwa namama raitaura zvakawanda.
Ndichipedza kudya ndakaenda kuroom
kwangu ,ndikamboenda pa App ndikataura
zvangu nevanhu. Pandainge ndoda kurara
mama vakabva vauya kuroom kwangu.
Vakati

"Waswerepi nhasi" vakadaro mama


ndikashaya kuti why vari kundibvunza
izvozvo ndikati "ndamboenda kumba kwe
friend yangu yandakadzidza nayo
kuchikoro." Ndakadaro ndichinyepa
vachibva vandipa ziso reruvengo vakati
"ndiri kumaona zvangu ma movements ako ,
kana pakati pemakumbo ipapo pachivava
ndinoda kupapisa udzikame" ndakarohwa
nehana mama vachidaro ,kuti vakanga
vandiona ndichienda kwa Dudu here?
Handina kuziva ini ndikazvinetsa ndega.

"Ma movements api mama" ndakadaro


ndichida kunzwisisa vakati "kimbi
mwanangu ini ndava munhu mukuru unoti
maziso angu haaoni here? Ukadzikama
unobvei mwanangu itawo sana sisi vako
vaiva vanhu kwavo vakaroorwa zvakanaka
izvozvi vari kufara mu marriage avo
nevarume vavo ,ko iwewe unoda kutodza
ani hunzenza ,wakagarwa nezitete here
tikufambire pachipedo"

Vakadaro mama neizwi rakapora. Zveshuwa


vana sisi vangu vakanga vakaroorwa
zvakanaka kunyangwe ini ndiyo yaiva
shuviro yanguwo wani yekurora zvakanaka.
Ndikati "ndiri kukunzwai mama hunzenza
hamuri kutaura handisi kuhuziva ini nekuti
handiendi kubhawa." Ndakadaro vakati
"kubhawa chete ndiko kunoitirwa hunzenza
here?" Ndakabva ndapusa ndikatanga
kubaya foni yangu vakati "kana ndichitaura
newe haubayi foni ka unenge uri kuzama
kuita sei kana uchibaya foni kudaro ini
ndakamirira mhinduro yako"

"But mama muri kuzama kuti ndiri hure


here?" Ndakadaro ndichivabvunzawo vakati
"handidi kupedza nguva ndichiitisana nharo
newe mangwana ndinoda kukuzemena
ndapedza newe"

Mudumbu mangu makarira zvekuratidza


kutya zviya. Ndakaita sendichanzwa
mudumbu. Mama vakabuda ndikasara
ndichipererwa. Handizivi kuti
ndaizozvifambisa sei chaizvo. Hameno
vakanga vazvifungawo nguvai izvozvo. Dai
ndakararwa kamwe chete maybe
zvaisazooneka kuti handisi mhandara zvino
ndainge ndakararwa kakawandisa uye nana
sabhuku vakasiyana siyana, dzakakora
nenhete dzaingopinda pandiri.

*End of chapter*
*Love you all guys *
[27/08, 17:49] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/CyDcA71MNZp
APP2PnlFqjG

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*
*SHELLY*

#0621141536

*Chapter 23*

*REA*
Pandakanga ndoda kutaura ndakabva
ndaita kakukakama ndikanzwa pahuro
pangu paine kagararwa ndikakasvipira
pamucheka wandainge ndakabata.
Ndakabva ndanatsa kugadzirisa pahuro
pangu ndikati

"Dad , ndokumbirawo kubvunza" ndakadaro


ndakatarisa dad vangu. Ivo vaiva busy
kuruma ruma muromo wavo vakati "bvunza
zvako" vakadaro vachirova rova pasi
nemutsvimbo wawo wavanofamba nawo.

"Mondiregerawo dad nekubvunza izvi ,


zvinoita here kurara nemusikana hujaya
hotadza kubva" ndakadaro ndisiri kuratidza
kunyara. Dad vakabva vanditarisa vakabva
vaseka vakati "zvakamboitikepi Rea"
vakadaro ndikabva ndanyara. Kwaiva
kungobvunzawo zvekuda kunatsa kuziva
chokwadi ,ndikati "musandiseka kani dad
ndiri kuda kuziva."
"Hazviko mwanangu ,ukarara nemusikana
hujaya hunobva asi wakapara mhosva
kani?" Vakadaro dad ndikadzungudza
musoro wangu. Zvino kimbi haana kuona
kuti ndiri jaya here aisimbirira yekuti
takarara tese. Mwana uya anopenga mhani
anofunga achiti akadaro ndipo pandingabva
ndamuroora here? Pamwe atori nenhumbu
akuda kutoipa ini uhm ndakabva ndaseka
hangu. Ndakazonyara ndichiona kuti ndina
dad , pfungwa dzangu dzaitoti ndiri ndega.

"Wanakirwa neyi uri kuseka wega ipapo"


vakadaro dad ndikati "hapana dad"
ndaisada kuvaudza nyaya yacho. Chero
kuna mom ndaisada isvike munzeve dzavo.
Asi ndakambofunga kuudza dad but
ndakatya kuvakwidza bhipi nezvinhu zvisina
basa. Pakanga pasimborina nyaya yakakura
zvekuti ndingada kutopinza dad mukati
mayo.
"Asi dad why mama vasinganatsi
kundiratidza rudo rwavo" ndakadaro nekuti
rudo rwa mom handiruoni ini ,nguva zhinji
yavo ndeye kundimanikidza zvandisingadi.
"Unoda kupiwa rudo rwakaita sei Rea?"
Vakabvunza dad ndikati "kuyemedzwa kaa
dad havaiti neyi handiti ndini gotwe here"
dad vakaseka vakati "zigondora rakadaro
unoda kuyemedzwa chii?" Ndikati "sei
vaindimanikidza kuti ndiroore kimbi kana
vaine rudo neni vaizviitirei?"

"Havasivo mai va......" dad vakabva vamira


kutaura ndikati "matii dad?" Ndakadaro
vachibva vatora mudondoro wavo
ndokusimuka kwakuenda upstairs.
Ndikasara ndiri ndega paya ndichitadza
kuziva zviri kuitika. Sei dad vasina kupedzisa
kutaura apa vobva vasimuka futi
kwakuenda.
Ndakadzungudza musoro wangu
ndichizama kuda kupedzisa zvaida kutaura
dad but handina kukwanisa kuziva zvavaida
kutaura zvacho. Ndakati zvinganetsa
ndokusimuka kunanga kubedroom kwavo
sezvo mama vakanga vasipo. Ndaka nocker
asi dad vakaramba vari zii.

"Dad!!!!"

Ndakadanidzira ndiripo pa door asi andina


kana kunzwa kudavira kwavo. Vaive
vatsamweiko? Zvakandinetsa ini ndikabva
pa door pacho ndikaenda ku sitting room.
Dad vakanga voda kutemesa musoro wangu
nekufunga.

Pfungwa dzangu dzakambofunga kuti


zvimwe pane secret iripo isingafani
kuzikanwa neni. Ndaisava nechokwadi
nazvo kwaingova kufungira chete ndisina
chokwadi chizere.
Musoro wakanga wakurwadza ,uku brain
dzichipishana ,zvaive zvoda kuitika pamba
apa ndakanga ndisingazvinzwisi.
Ndakasiyana nazvo kana pane zviripo
zvaizobuda hazvo. Ko pane chakahwanzika
chisingabude here? Neche mumoyo mangu
ndakangoti mwari pindirai.

Mama vakazosvika ndigere ku sitting room


vakati "neyi wakagara wega" vakadaro
mama ndikamhoresana navo ndikati
"hapana hangu maida nditandare nani"
vakati "kuti hapana vanhu here pano Lizzy
aripo uyu dad vako varipo futi wogara wega
wega kudaro" ndikati "zviri nane ndigare
ndega vanhu vepano munondipa
stress,zvandichatobatwa nebhipi ndichiri
mwana mudiki."

Ndakangokaruka ndataura zvandainzwa


kuda ,chero mama vakatopererwa
nekutaura kwangu ,vakabva vatsveta zvinhu
zvavakanga vakabata vakauya kugara paside
pangu zvikanzi "chii chakutsamwisa Rea
chaita undipindure kudaro." said mama.

"Sorry mama" ndizvo zvandakaita ndichibva


ndanyarara. Ndaisada kufukunura zviri pasi
pevhu. "Kana pane zviri kukunetsa taura"
ndikati "mama kunyangwe ndine
zvinondinetsa hamundibatsiri kunze
kwekundidzvanyirira ,magame epamba
pano ndaneta nawo ,kana pane secret iripo
ndiudzei pachipedo mama."

Ndakaona mama vachikwenya musoro


zvisina basa , hapana chavakataura
ndokuramba vakanyarara. Zvakandibhowa
ndikaenda kuroom kwangu ,pamwe ndini
ndakamhanya hangu kubvunza zvisina
basa ,ndaizobvunza dad vacho vondiudza
kana pane zviripo.
Mangwana acho ndakamuka ndichida
kunoona Dee , ndikaenda kunogeza
ndikapedza ndikapfeka hembe dzangu
nekuisawo zvinonhuhwirira. Handina kuda
kudya breakfast ndaizotenga chikafu
changu ndodya. Ndakabuda pasina
andaoneka ndikaenda. Ndichisvika
ndakaridza huta Dee akauya. Akauya
achinyemwerera achitoratidza kuti anga
andisuwa. Apa akanga atogeza atochena
chena ndikashaya kuti ari kuda kuendepi
makuseni akadaro ,ndakazongoti pamwe
kuchenera ini.

Achisvika ndakamupa hug tikapinda


mumota , "urisei baby" ndakadaro
ndakabata ruoko rwake akati "ndiribho
ndanga ndakusuwa Rea" akadaro
achinyemwerera ndikati "ndauya babe
chero ini ndanga ndakusuwa ,ko
uchadzidzira rini kunditi dady" zva Dee futi
aitoda nguva kuti ajaire. Zvese zvaindinetsa
zvakabva zvatombobva mupfungwa dzangu
ndakagara na Dee kudaro. Dee akaseka
achindizembera akati "ndiregererewo dady
andisati ndazvijaira" ndikasekerera
achitaura kudaro apa achinyaririra hake.
Veduwe Dee anodzikamisa hana
yangu ,ndinoita kupusa kana ndinaye.

"Don't worry uchajaira hako babe


usazvinetsa handiti" akagutsurira musoro
wake ndikati "l love you babe mutupo chii?"
Zvikanzi "Moyo chirandu" ndikati "woow
Mamoyo wangu ,dady ndi Samaita babe"
akangosekerera tikaramba takatarisana
ndikanzwa zvisizvo mubhurugwa mangu.
Ndakabva ndaswededza musoro wangu
pana Dee ndikabva ndamubata matama
ake ,iye akanga akunyara asi handina
kuzvitarisa ndaida kumuratidza rudo zvese
nekumudzidzisa.
Ndakaisa muromo wangu pane wake ,
ndikatanga kumukisa zvenzara nzara
zviya ,haana kudzorerawo ndikabva
ndamira ndikati "tevedzera zvandiri kuita
babe" handina kumirira kudaira kwake
ndainge ndatomunama kiss , akanga
akudzorerawo achibva akochekera maoko
ake muhuro mangu. Ipapo ndakanzwa
kutapirirwa chaiko tikaramba tichikisana ,
ndakabva ndafambisa ruoko rwangu neche
muchiuno make asi ndaive ndakaruisa
kumusana kwake.

Ndadaro ndikabva ndarufambisa kukwidza


kumusoro ndikanzwa asina braa ,atina
kumira kukisana iye wacho aitogona zvake.
Ndakafambisa ruoko rwangu zvishoma
shoma ndaida kunanga pamazamo chaipo.

Ndakabva ndabata zamu rimwe achibva


avhunduka achizvibvisa pandiri ,zamu rake
rakanga rakaita kakuoma ainge asina
kunyanya kupfaya apa ndakanga ndonzwa
kuda kuramba ndichibata but iye akabva
azvibvisa. Ndakamutarisa ndikaona
asingagoni kugara nenyadzi , handina
kubhoikana hangu nazvo sezvo ndakatoona
kuti inenge first time yake kubatwa zamu.
Ndikati "sorry babe kana ndaita zvausingadi ,
sununguka kutaura zvaunenge usingadi
usanditya handiti ndiri mumwe wako ini."
Haana chaakataura ndikaswedera paari
sezvo akanga atogara kure neni ,ndikabva
ndaisa muromo wangu panzeve yake
ndikakisa ndichibva ndaita sendinoda
kuiruma achibva aseka. Ndakabva ndarega
akati "ndakuda kuenda" akadaro ndikati
"uri kuda kumhanyirei babe Inga wani
wamboti wandisuwa ndinoda kuswera
newe kana kutomboenda hedu ku town."
Akati

"Sorry hako nguva dzangu dzakuda


kukwana dzekuti ndiende kubasa"
ndakavhunduka Dee achitaura zvekuenda
kubasa ndikati "kubasa? Kunoitei babe
wangu" ndakadaro akati "ndinoda
kunoshanda ndakanzi ndiuye nhasi"
zvebasa zvaaitaura izvi zvakaita ndisuwe
ndaisada ayendeko ini.

"Nhai babe wakambondiudzawo here? Dai


wakatanga wandiudza ini handidi ushande"
akati "neyi , vanhu vacho ndakatotaura
navo." Dee wangu aizonditorerwa kubasa
ikoko ,nemadire andinomuita obva atorwa
ndaizodini ini ah ndikati "babe wangu
hazviiti chaunoda chese
ndinokuitira ,ndinokuda babe wangu
handidi kuti ushande wakandikoshera
wanzwa" zvinobuda here kuti mumwe
wangu ashande ini ndiripo.

Dee wacho akaramba akanyarara


asingachatodi kutaura neni. Ndakaona
senge ndadzvanyirira mumwe wangu nekuti
akange asisina mufaro pachiso pake ndikati
"enda hako babe asi moyo wangu wanga
usingadi handidi kukuitira hutsinye so
unodzoka rini?" Ndakadaro moyo wangu
uchitorwadza kusiya Dee achienda.

"Ndinouya weekend" akadaro nekanzwi


katete ndikati "okay ko hazviiti here kuti
paunouya weekend pacho wobva wasiya
basa racho." Ndaitozamawo kuti aone kuti
ndinomuda ende zvese zvaanoda
ndaizomuitira ,ndinotozviziva kuti munhu
wemusikana anenge achidawo kubata mari
yake achizvitengera zvaanoda.akati
"zvinoita ndinozovaudza pandinodzoka"
ndikati "chienda unotora bag rako
ndikuperekedze" akabuda akaenda
ndikasara ndichitura mafemo.

Akanga ada hake zvekushanda asi ndakanga


ndotonzwa kutsva chaiko ,mukushanda
umu ndaimutyira kuti anogona
kuzosangana nezvakawanda. Akauya
tichibva taenda. Aindi director kwaakaona
basa kwacho. Kwaisave kure zvako takanga
tatosvika.

"Ndichakusuwa babe" ndakadaro


ndakamumbundira akati "ndichakusuwawo
ndikaona richinetsa basa racho ndinodzoka
kumba ,uzondifonerawo" ndakaseka hangu
Dee achidaro ndikati "unofona kaa iwewe
kana wandisuwa" akati "foni yacho haina
mari" haa ndakabva ndafunga kuti handina
kumujusira. Ndakabva ndatora foni yake
ndikaisa airtime ne WhatsApp yacho
ndikabva ndamudzidzisa maitirwo azvo.
Akakasika kubata ndikati "zvaita kaa" akati
"eeh ndakuenda dady usare bho" ndikati
"okay babe wangu ushande zvakanaka
usanditorerwo Mamoyo wangu ndinokuda
sha ndiwe wakatora moyo wangu." Akati
"ndinokudawo ddy ndichava newe kusvika
murufu hapana mumwe andichapa moyo
wangu."

Akadaro akaenda ndikaramba


ndakamutarisa ,zvimusodzi zvekusuwa
zvakabva zvabuda ,akafamba achicheuka
kusvika asvika pagedhe. Ndakazopinda
mumota ndisingachamuoni. Moyo wangu
wakanga usingachatodi kusiyana na Dee.
Ndakadzokera kumba ndatosuwa.

Ndakanotenga chikafu changu chekudya


ndikabva ndaenda kumba. Ndichisvika
kumba handina wandakaona ndikaenda
kuroom kwangu. Ndakabva ndatodya
chikafu changu ,ndikavhura app yangu
ndikaona pasina mamsg akakosha
ndikaivhara hangu. Kwakasviba ndisina
kuenda downstairs ndokubva ndarara
ndichifunga Dee. Akanga andiitira hake
nharo asi moyo wangu waitova nekakutya.
Ndakanzwa nock pa door ndikadaira
ndakarara kuti apinde munhu wacho.
Achipinda ndakabva ndaona ari Lizzy,akati
"ndanzi ndikudanirei kudya chikafu" ndikati
"ndadya ini" ndakadaro hangu achibva
ayenda, handina kuzomboda kumubvunza
nyaya iya , ndakatoona kuti ndini
ndingazvinetsa nezvinhu zvisina basa.

Nguva yangu yekurara yakakwana ndikabva


ndarara ,ndichangobatirwa nehope foni
yangu yakabva ya ringer ndikanzwa
husimbe hwekuitora. Yakasvika pakukata
ndakarara ikabva yarira futi ndikaitora
ndichinzwa hasha , number dzacho dzaitova
new ndikadavira.

"Urisei Rea"

Kunzwa kwandakaita voice ra Annah


ndakasvotwa zvisingaiti. Akanga akuda
kujaira tsika isina basa yekundifonera nguva
yaada, ndakanga ndisisina basa
naye ,zvekuramba achindifonera izvozvo
zvaive zvondimara ndikafunga kumuudzirira
ndikati

"Inguva yekufona here nhaiwe Annah , busy


kundifonera uchitadza kufadzana
nemurume wako zvinombokudini chaizvo"

Ndakadaro ndichitaura nehasha ndakanga


ndisingachazvifariri zvekufonerwa naye.
Zvakandinetsa kuti angafona husiku
hwakadaro murume wacho anenge aripi?
Akati

"Sorry hako handina kuziva kuti hauzvidi


ndaingoda kunzwa kuti urisei?" Ndikati

"Handichadi zvekufonerwa newe


Annah ,une muedzo iwewe ubvise number
dzangu mufone yako , murume wako
akakunzwa uchitaura neni husiku hwakadai
anofungei nhaiwe"

Ndakaridza tsamwa ndokukata foni yacho.


Kuita kwa Annah akanga akuitawo kunga
kimbi. Kudzungaira kwacho aive
akukunyanya. Ndakabva nda blocker
number dzake ndainge ndisingadi
zvekunetswa naye.

Ndakarara ndikazomuka
kwaedza.ndakatora foni yangu ndikafonera
Dee ndichida kunzwa kuti amuka sei? Foni
yaingo ringer isingadairwi. Ndakabva
ndafunga kuti zvimwe atova busy ne basa
rake. Ndakamuka ndikageza ,ndapedza
ndakabva ndatora mota yangu ndaida
kumbono checker kubasa kwangu. Ndaive
ndagarisa ndisina kuendako. Kungoti vanhu
vacho ndaisavatyira vaishanda nemazvo.
Ndakasvika vanhu vari busy kuita basa.
Ndakangotenderera ndichiona kuti
pakamira sei , ndapedza ndakaenda neku
company yamudhara ndikaona zvese
zvakarongeka. Ndakabva ndafunga kuedza
number dza Dee but yaisadairwa foni yacho.
Ndakanga ndatova worried ini. Basa racho
ndaishaya kuti rakaita mawandireiko
zvekutadza kubata foni.

Dee akanga oda kundipa stress,Hana yangu


yakanga isisina kugadzikana ndichingofunga
nezvake chete , Mamoyo wangu
aindipengesa ini. Ndakabva ndafunga
kumbonoona gogo va Dee,ndakatenga
grocery ndikabva ndaenda.

Ndakasvika ndikaburusa zvinhu


ndikadaidzira gogo ndikaona vachibva
kuseri kweimba vatori nezvimadhaka
mumaoko. Kuona kwavakandiita vakafara
zvisingaiti tikakwazisana ,tapedza
kukwazisana ndakanotora zvinhu zvakanga
zvasara kumota gogo vakati

"Waita basa muzukuru wangu ,ugare kure


nemoto ungatsva" vakadaro vachiuchira
maoko ndikati "munotendei zvenyu gogo
ndambouya kukudongorerai hangu" vakati
"zvinotendwa muzukuru." Takamboita
nyaya ndikazoonekana navo ndikadzokera.
Gogo vaiva havo nerudo kubva
pandakatanga kuvaona havana kumboda
kundiitira hasha.

*MELISSA*

Ndakaona Tonde ari pamusoro pa mama


vari busy kutamba mutambo wevakuru.
Ndakaita sendiri kurota ndichiona vanhu
ava ndikatsukuta maziso angu ndikaona
zveshuwa ndiri kuona zvakanaka.

Kumira kwandakaita pa door havana


kundiona sezvo vaitonakirana havo.
Ndakanzwa dzungu richitenderera
mumusoro mangu ndikabva ndati

"Tondeeee!!!!!!!"

Ndichibva ndadonha pasi ndokutonyarara


ndakadaro. Ndakazomuka ndiri pabed
muroom mandinorara na Mona.ndakatarisa
tarisa ndichifunga kuti ndingaona Tonde asi
makanga musina.

Ndakamuka ndikaenda kuroom kwa Mama.


Ndakaona futi musina munhu ,so
zvairatidza kuti vakange vatiza here vanhu
ava , handina kukwanisa kuziva.
Veduwe ndakarwadziwa shuwa Tonde
kurara namama vangu. Saka vakanga vati
tiende ku town vachiziva kuti vanoda
kupinza tonde mumba. Ndakadikitira
ndakamira padoor misodzi ikatanga kubuda.

Ndakadzokera muroom medu ndikagara


pasi ndisina kana simba. Tonde akanga
andirwadzisa ,ndakabatikana zvisingaiti.

Mama vangu ndaitadza kuziva kuti ndoita


sei navo , ndakagara kudaro Mona akabva
auya akabata cup , handina kuziva kuti yaiva
nei.

"Ooh mvura iyi umwe" akadaro Mona ,


ndakatora cup yacho ndikaikandira kure
chaiko. Ndaisada zve mvura yake ini
panguva iyi.ndaiva mumarwadzo chaivo
kunzwa bundu rehasha pahuro pangu.
"Mona kana wakazvitarisa zvaita mama
unoona zvichiita here?" Ndakadaro
ndichinatsa kunzwa kuti ndiri kurwadziwa
chaiko , Mona akati

"Ndaimbokuudza Melissa asi waisada


kunditerera ,waindiona hako sebenzi
ndichikutsiura but nhasi wazvionera wega."
said Mona ndikati "tsiura mama ndisati
ndaita zvekuti vanochema" akati "koiwe
wadii kuvatsiura ,inini handidi hangu unoda
ndivatsiure ndichiti kudii? Uye azvitomboiti
kuti inini nditsiure mama vamunhu mukuru
avo vasiyana newe unoda kufungirwa
dzimwe dzenguva"

Ndaisaziva kuti mama vakanga vachiri


kudanana na Tonde. Kufunga kwangu ndaiti
vakasiyana izvo kana vachiri murudo.
Ndakatora foni yangu ndikafonera baba
shupi. Haina kumbononoka kudairwa
ndikati
"Makadii baba" I said vakati

"Ndiri right mwanangu akadzoka here


Delly?" Vakadaro ndikati

"Ndizvo zvandakufonerai kana


makasununguka huyai kumusha kune nyaya
huru kuno , Deliverance handifungi kuti
achiri mupenyu."

"What? Uri kutii chiiko Melissa , mwana


wangu Deliverance akaitwa seiko?" Ndikati

"Pane munhu aironga kuda kumuuraya so


anenge akatouraiwa huyai mangwana
chaiwo"

Ndichipedza kudaro ndakabva ndakata foni.


Ndakaona Mona achibudisa maziziso ake
akati "Melissa une chokwadi nezvawaudza
baba Shupikai here?" Ndikati "siyana neni ,
zvava pano ndezve kuratidzana masimba"

"Saka waona zvichiita kuti uvaudze izvozvo


here? Asi Melissa unombotanga wafunga
here usati waita chinhu ,ko baba shupi
vacho vakauya unovaudza kuti chii?" said
Mona ndikati "ndongovaudza chokwadi
chiripo ,mama vandirwadzisa shamwari
ndiri kuda kuti varwadziwewo. Ivo havadi
kusiyana na tonde kuti zviite sei? Inga baba
shupi vangori nazvowo wani zvombo
sezvina tonde so vanoshoorei pamurume
wavo"

"Zviri pamba pano ndazvitadza ini , better


ndiende kunoroorwa hangu musare
muchiita madrama enyu handingazvigoni.
Ende chasara kudzingwa pano munoenda
kupi kwacho. Newewo haunzwi ndaikuudza
kuti Tonde wako anongoda zvekurara newe
kwete kuti anokuda asi waindiona
sendinopenga ndichikutsiura nhasi uno
wazvionera."

Ndakabva ndanzwa kurwadziwa ndikabva


ndatoona ka vision ka Tonde ari pamusoro
pa mai vangu nyakunditumbura. Misodzi
yakabva yatanga kubuda zvekare. kana
akanga asingandidi aidii hake kundiudza
pane kundinyepera.

"Ndinoda kuudza gogo zvose,mama


vandirwadzisa havo." Ndakadaro
ndichipukuta misodzi. Ndaiziva kuti
ndikaudza gogo mama vanobva
vapopoterwa cz havadi zvisina basa, Mona
akati "dai wasiyana nazvo" ndikati
"vaendepiko mama vacho" zvikanzi "handisi
kuzivawo ini."

Moyo wangu waida kukaurisa mama cz


vakanga vandirova nerakagomara. Ndainge
ndamirira kuuya kwa baba Shupikai
ndovaudza zvese. Kana kuri kudzingwa
kwacho totangira ipapo.

Ndakanzwa ku kitchen kuchigwederedzwa


ndikaziva kuti mama vauya ndikaenda ku
kitchen kwacho. Kuona kwandakaita face
yavo ndakabva ndanzwa hasha ,dai vasiri
mai vangu ndaigona kuvarova ini. Zvino
ndaitya kutanda botso.

"Mandirwadzisa mama ,maita henyu


mandiratidza huhure hwenyu zvese
nehuroyi. Hakuna huhure hunodarika
hwamaita , ndafonera baba Shupikai vati
vari kuuya mangwana so motoona kuti
mavaudza chokwadi here ndisati ndavaudza
ndomene cz ndikavaudza ndiri ini hapana
chandinosiya ndinodura zvese."

Mama vakasiya zvavaiita vakauya


kundikwapaidza mbama ndikadonha pasi.
Ndikati "kana mafunga kundiuraya urayayi
henyu asi chokwadi ndicho chandataura."
Vakatanga kufutisa matama avo. Ndakanga
ndaita sendagarwa neshavi , hushingi
hwacho hameno hwakanga hwabvepiwo.
Ndakaramba ndakarara pandakanga
ndadonha mama vakati

"Akuti fonera baba Shupikai ndian Melissa,


unoda kundirambanisa nemurume wangu
here? Ndizvo zvauri kuda here?" ndikati
"dai maivada baba Shupikai vacho
musingahuri na Tonde , zvino kuhura ikoko
kuratidza kuti hamuvadi , better vazive
chokwadi vatsvage mukadzi ari nane anoda
zveimba asingahuri."

Ndakapiwa bhutsu ndichiti muvhu ,


ndakaona madzengerere mumaziso angu
ndikatsinzinya ndichinzwa kurwadziwa.
Vaindirova havo asi ndainge ndavaudza
chokwadi. Tonde ndakanga ndatomuvenga
pasi nekudenga , Mona aigara akandiudza
kuti Tonde haandidi asi ndaiita nharo
ndichiti anondida.

Handina kuda kuzoramba ndichinetsana


namai vangu ndakabva ndasiyana navo.
Akava manheru ndikarara ndisina kudya.
Zvaisadyika nezvandanga ndaona uye
ndaisava nenzara yacho.

Takarara kunze kukaedza ndikamuka zuva


rakwira. Pandakamuka ndakaona Mona
achiita basa ndikabva ndageza kumeso
ndikadya munya. Ndakapedza kudya,asi
mama handina kubvira ndavaona.
Ndakabvunza Mona akati

"Vakacharara ava" ndikati

"Vanodai vakarara kwaitei ,vanosidai


vamuka kare" Mona akati

"Kuzorora havo kaa"


Ndakabva ndaenda kuroom kwavo.
Ndakada kuvhura door racho asi rakanga
rakakiiwa. Ndaka nocker asi havana kudaira.
Ndakaenda kuseri kweimba ndikanovhura
window raivako ,raisanatsa kuvhara
zvakanaka ndikarivhura ndikapinza ruoko
rwangu mukati ndikabvisa ka cartain
ndikadongorera mukati ndikaona pabed
pasina munhu.

Ndakamhanyisa maziso angu mumba umu


ndikarohwa nehana nezvandakaona
ndikadaidzira Mona.

"Mona!!!!!!".

*End of chapter*
*Love you all guys *
[27/08, 17:49] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/KjjCZtBEke866X
Us7S9QI6

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*
*SHELLY*

#0621141536

*Chapter 24*

*DELIVERANCE*
Ndakatombonzwa kurwadziwa ndichisiya
Rea ndichienda kubasa. Pfungwa yake
yakanga yakanaka yekuti ndisaende
kubasa ,asi zvakange zvisingachaiti kuti
ndirege kuenda kubasa sezvo mai vacho
ndaive ndakatotaura navo tikabva
tawirirana. Imwe pfungwa yakanga yoda
kurega asi ndakazongorovera moyo
padombo.

Ndaizosiya basa racho pandaizoenda ku


weekend. Ndichisvika kumba kwamai vaya
ndakaperekedzwa mumba nemukomana
uya andakamboona pagedhe uye ndiye
akandivhurira gedhe tikabva taenda.
Takawana mama vasimo mumba macho
mukomana uya akandovadana ndikasara
ndachigara pasi.

Vakazouya mukomana akadzokera hake


kwaaiva. Takakwazisana zvakanaka
vakandiudza kuti basa ndotanga mangwana.
Handina kuziva kuti ndaizoita nezvei
mangwana acho,vakangoti ndokuudza
zvekuita tomorrow.

"Huya kuno ndikuratidze room yako"


vakadaro vachisimuka ndikatevera
mumashure mavo. Takakwira kumusoro
chaiko ,imba yacho yakanga yakakura
zvisingaiti,ndaingoringa kwese kwese
ndichida kuona zvamakaita.

Takapinda muroom macho ndikaona mune


zvese ,mubhedha wacho waivamo waive
muhombe uye paikwana kurara vanhu
vatatu chaiwo. Ndakaratidzwa zvese vakati

"Gedhe haribudiwi pano ndezve kutogara


mumba." Vakadaro ndikati "ko weekend
kei ,ndenge ndichida kuenda kumbonoona
gogo" ndakadaro nekuti ndenge ndasuwa
gogo na Rea. Mai vaya vakangokwidza
zvitsiyo zvavo mudenga vakati "hunge uchiri
pano" handina kunzwisisa zvakataura mama
ava ndikabva ndabvunza

"Muri kurevei mama?"

Ndakadaro ndine kakuvhiringika ,vaiti


hunge uchiripo ndinenge ndaendepi?
Ndakavatarisa ndakamirira mhinduro yavo
vakati

"Ndaida kuti weekend ndinenge ndisipo so


hauyende unozoenda imwe weekend
pandinenge ndiri pano kuitira pano
pasasara pasina munhu" ndikat

"Okay mama"zvikanzi

"Une foni here? Kana unayo undipe cz


handibvumiri mafoni pano ndinotya
kubirwa"
Kakuita kamai ava ndaisatokanzwisisa ini.
Vaigoti havadi mafoni vaive vandiona
sembavha here? Ndikati "handina foni"
vakati "good , chikafu haubiki ndinobika
ndega iwewe chako kungoita zvandinenge
ndakuudza."

Ndakangodairawo hangu asi ndainge


ndakutonzwa kubhoikana chaiko. Mitemo
yacho ndaisaikwanisa hangu. Ndaive
ndangomirira kuti weekend isvike
ndidzokere kumba ,apa vakanga vati
handiendi futi weekend kwacho kuitira
ndisare pamba.ndakasvotwa zvisingaiti asi
chekuita paive pasina.

Mama vakazobuda mu room mangu


ndikasara ndichiona room yandakanga
ndapiwa. Ndakakwira pamubhedha
ndikanzwa wakapfava zvakanyanya apa
wakanga wakakwirira chaiko.
Nguva hadzina kumira kufamba akava
manheru,ndakadaidzirwa kudya ndikaenda
kwaiva nevamwe. Kwaiva nevakomana
vaviri vaive vakafanana
zvisingaiti.ndakangoona ndega kuti ava
mapatya.

Ndakavamhoresa ndikabva ndagara pasi.


Ndakapiwa sadza nenyama ndikadya ,asi
nyama yacho handina kuziva kuti yaiva yei.
Sadza racho andina kunyanya kuridya.
Ndakasiya ndikabva ndaenda kunorara.
Ndakaisa foni pa silent ndisingadi kuti
igonzikwa ichirira sezvo ndaiziva kuti Rea
achazondifonera.

Ndichangokwira pabed kuti ndirare bvudzi


rangu rakabva rati nyangarara richimira
mudenga. Ndinosizviita kana pane
chinotyisa zvino ndakazama kutarisa
mumba umu ndichifunga kuti ndingawana
chinotyisa chainge chaita kuti bvudzi rangu
rimire.

Handina chandakaona ndikabva ndarara.


Ndakamboda kunamata asi ndakanzwa
husimbe ndikatorara. Ndichingobatwa
nehope ndakabva ndabatwa nemadzikirira
zvakasimba. Kuti ndidaidzire voice rangu
raisabuda zvakanaka. Ndakaita nguva
ndichizama kumuka asi ndakanga
ndakapfanyiwa nekutsikirirwa. Kufema
kwakanga kwakundinetsa.

Ndakazomuka zvesimba zviya ndikagara


pasi ,ziya rakatanga kubuda uku ndichitya
futi. Ndakabata hana yangu ndikanzwa
ichirova kuita seichabuda muhembe.
Ndakambofunga kudzika pamubhedha kuti
ndinamate asi ndaitya ndikadzokera kurara.

Handina kumborara hope nekuti ndaitotya


futi kubatwa nemadzikirira. Apa ndiko
kwaitova kutanga kubatwa nawo.
Ndakatora nguva ndakasvinura
ndichingoshanyarika. Hope dzakazondi
nyangirawo ndikarara.

Asi ndakarara kudaro pamubhedha payiita


sepane chinhu chinondibaya,ndakabva
pandaive ndikanorara kukona chaiko but
zvaingova zvimwe chete. Kunze
kwakazoedza ndatambura. Mama ndivo
vakauya kundimutsa apa kwakanga
kuchakasviba. Hameno vaida ndiitei husiku
hwakadaro. Ndakamuka ndikavhura door
ndikaona vakamira pamukova vakati

"Pano hapararwi kunga wakapedza nhamo,


unomukirwa nekuti pane basa
rakawandisa." Ndakaramba ndakanyarara
ndichitonzwa hope dzamanheru ,
ndakaedzerwa ndakasvinura.vakati
"Huya ndikuratidze ma room aunofana ku
cleaner ,kana wapedza ndichasiya hembe
dzine tsvina dzinoda kuwachwa." Vakadaro
vachienda ndikatevera mumashure mavo
ndichishama n'ai. Vakandiratidza maroom
acho ,akakwana kuita five aida ku cleanwa
acho. Basa racho raitoda vasikana vatatu
chaivo.

Vakandiratidza hembe dzacho apa


dzainhuwa. Handifungi kuti dzaipfekwa
hembe idzodzo cz dzaibuda mweya
unorutsisa.

Vakabva vabuda mai vaya ndikasara


ndichibudisa hembe dziya panze ,ndakadzi
socker ndikambodzokera kuroom kwangu
ndichigaya zvepamba apa kuti
ndinozvikunda here. Dai ndakaterera hangu
Rea ndisina kuenda kubasa ,apa ndakanga
ndanzi ndiite basa racho ndisina kudya.
Ndakanga ndajaira kumuka ndichidya
kumba kwagogo. Ndangoti
hameno ,ndaizoona kuti ndozvifambisa sei.

Ndakanowacha hembe dzacho


ndikapedza.maoko angu akanga
akutorwadza.ndiri pakati pekuyanika
hembe mukomana uya wekupfeka
hovhorosi akabva auya kwandaiva akati

"Vahanzvadzi makazoshingirira kuda


kushanda" ndikati

"Ehe kugara hakubatsiri mukoma" akati

"Ah ndizvo hazvo asi hauna kufitwa


nazvo,ko wawacha nemaoko wani washen
machine irimo mumba umo."akadaro
ndikati

"Ndanzi ndiwache nemaoko hembe dzacho


handifungi kuti dzinopfekwa idzi hameno
dzinoshandiswei?" Akati
"Ko dzaita sei?" Ndikati

"Dziri kunhuhwa idzi ndapedza kuwacha


ndatambura"

Akaseka mukomana uya , zvechokwadi


hembe idzodzo dzanga dzine mweya usina
kunaka ,ndakambofunga kut pamwe
dzinorarwa neimbwa asi ingadai dzaiva
nemanhenga ekuratidza kuti dzinorarwa
neimbwa zvino dzaisava nawo.

Ndapedza kuyanika ndakadzokera mumba


ndikano cleaner , ndakatanga nemu kitchen
ndikapedza. Pandakanga ndakukwira
kumusoro kuno cleaner mamwe maroom
ndakabva ndaona mwana wavo achipinda
pa1 wemapatya vaya. Ndakamumhoresa
akandidavira zvakanaka. Ndakuenda
achibva ati
"Mama varipo here?" Ndikati

"Vabuda handizivi vaendepi." Akati

"Okay huya kuno"

Akadaro achikwira kumusoro ndikabva


ndatotakurana nebucket rangu ne moppy
yacho. Ndakazvisiya padoor re room
yandaiva kuzogadzira ndikatevera
kwakanga ayenda. Akapinda mumba
ndikasara ndakamira pamukova akati

"Pinda zvako muno"

Ndikapinda ndikaona achibvisa bhutsu


dzake ,mairatidza kuti ndimo maanorara
nekuti maitova nemubhedha. Waiva
wemhando yepa musoro akati

"Wakauya kushanda?" akadaro ndikati


"Ehe" akati

"Hamuna kuuya kushanda sisi asi kuti


makauya kuunza mari pano"

Ndakashamisika nezvaitaura mukomana


uyu ende handina kunzwisisa futi ndikati

"Muri kurevei mukoma" i said ndavhura


nzeve kuda kunzwa zvakanaka akati

"Chirega kuda kutsvaga zvakawanda mwana


wamai , kuona kwandakakuita nezuro moyo
wangu wakarwadza,wakanaka hanzvadzi
haukodzeri kuitwa zvisina
basa ,kungotsakatika zvisina tsarukano
haiwa moyo wangu wangondirambira."

Handina kuziva kuti chibhende here


chaitaura mukomana uyu. Aisada kubudisa
nyaya yake zvakanaka kunze
kwekundibhendesera achitaura
zvandisinganzwi,zvombonzi ndakauya
kuunza mari pano , chirudziiko nhai
zvakandinetsa ndikati

"Mukoma ndinokumbirawo mundijekesere


hapana chandanzwa pane zvose
zvamataura ,muri kurevei?"zvikanzi

"Chinzwaka musikana rega ndikupe mari


wobva wanyangarika" akadaro mukomana
uya.

Ndakashama muromo ndichipererwa


nezvaitaurwa izvi. Ndakamboita zvinguva
ndakanyarara ndikati

"Kunyangarika?" akati

"Eh tora mari iyi urove pasi ,kudzokera


kumba chaiko. Unondotaura na gateman
anokuvhurira gedhe wobuda
woyenda ,chikasira mama vasati vadzoka
pano."

Ndakabuda mumba umu ndine confusion


isingati ,kwazvaienda nakwo kwacho andina
kukunzwisisa. Ndakaenda kwaiva
nemukomana wehovhorosi ndikataura naye
akati

"Ndanzi ndisakusiya uchibuda gedhe"


ndikati

"Nemhaka yei?" Akati

"Kwai unozorasika"

Ndakapererwa ndikadzokera
mumba.ndakananga kuroom kwangu
ndakabata kabanduru kemari yandaiva
ndapiwa. Mari yacho yakanga yakawanda.
Pamba apa paitovawo nezvakawanda
zvandaisanzwisisa. Ndakada kudzoka
kuroom kwe mukomana uya kuti
ndimuudze kuti gateman wacho waramba
asi ndakatya kumunetsa. Handizivi kuti
ndaizodini nekuti pamba apa paitoratidza
kuti pane zvakaipa zviripo.

Simba rekupedzisa ku cleaner maroom


ndakarishaiwa ndokugara mumba ,
ndakanga ndachipusa manje nezvanga
zvoitika izvi. Pasina nguva ndakanzwa mama
vaya vauya , ndakatanga kutya kuita
kubatira hura mumaoko ,kana dziri nyoka
dzemudumbu dzakange dzorira kuri kutya
zvoti nenzara futi.

Ndakabata foni yangu ndikaona ine ma


missed call hobho aibva kuna Rea , moyo
wangu wakarwadza ndikamunyorera msg
ndika sender. Handina kumuudza zvaitika
izvi ndaisada aite stress. Haana kunonoka
kupindura msg yacho yanga yakanzi
"Ko kusadaira ma calls angu babe unenge
uri busy here? I miss you Mamoyo wangu."

Hana yangu yakadzikama nguva


yandakaverenga message yacho. Ndikabva
ndapindurawo kuti

"Basa racho rakawanda dady uye


rinorwadza ndakusuwawo Rea."zvikanzi

"Better udzoke kumba babe unondikuvarira


musana usati wabara"

Ndakaseka kuita sendicharidza


chikwee ,ndakatombokanwa zvese
zvaindinetsa mumusoro mangu ndikati

"Ndinodzoka dady nekuti handirikwanisi


basa racho."

Ndakabva ndadzima foni ndikaisa mubag


rangu. Nguva yakafamba akava
manheru ,vakabika vakandidanira kudya
ndikaenda. Ivo vakati kupedza kudya
nekutoenda kunorara. Ndakasara
ndichipedzisa kudya. Ndakanga ndakagara
nevana vavo two. Vayiita nyaya ini ndiri zii
hangu. Moyo wangu wakanga wakuna gogo
vangu.

Ndapedza kudya ndakaonekana nevana


vavo ndikaenda. Ndisati ndapinda mumba
ndakabva ndateverwa nemukomana uya
ekundipa mari kuti ndiende kumba ,akati

"Ko zvauchiri pano nhai."ndikati

"Gateman wacho aramba kundivhurira."

Akabva abata musoro wake achiita


seanopererwa , ini wacho ndanga
ndachingomira semudzimu ndichitoda
kuudzirwawo zvekuita akati
"But usazoti handina kukuyambira hanzi
akuruma nzeve anokuda inini handichina
kana plan hameno uchaita sei? Mangwana
mweya wako unogona kuzorodzwa."

Ndakaridza mhere yekurwadziwa achibva


andibata muromo wangu , maybe aida kuti
tisanzikwa. Veduwe moyo wangu wakaenda
kure chaiko , ndakaita ka short prayer
mumoyo mangu akati

"Unoda tinzikwe here? Chienda unorara


ndichaita plan mangwana"

Akadaro achindizevezera achibva ayenda


ndikasara ndichipinda mumba. Hana yangu
yakabva yarova futi cz mumba umu
maityisa chaizvo. Ndakangozvishingisa
ndikarara pamubhedha. Hope dzacho
dzakanonoka kubata ndichironga
nekurongonora. Plan chaiyo ndakanga
ndisina ,dai gedhe racho raivhurwa
nemunhu wese ndaigona kuwana matiziro.
Zvino raingovhurwa na gateman chete.

Dai ndakaziva haitungamiri ndainge


ndodemba ini, Rea akanga aramba asi
ndakaita nharo. Kunze kwakachena ndisina
kana kurara hope. Zvepamba apa zvaikunda
ngoma kurira.

Ndakamuka ndikanotora bucket ne moppy


ndikatanga ku cleaner. Musi uyu andina
kumutswa ndakamuka ndega. Ndapedza ku
cleaner mu kitchen ndakaenda kuma room
aya andanga ndakanzi ndigo cleaner.
Ndisati ndapinda mukati ndakanzwa room
yaiva paside pacho muchiratidza kuti mune
munhu ari pa call.

Ndakamira ndikaterera ndikanzwa voice riri


namai vepamba apa kureva kuti yaiva room
yavo yekurara ,chaindinetsa handina
kumbobvira ndaona baba vepamba
ipapa ,ndakamira kudaro ndakanzwa kuti

"Munhu uya ndakazomuwana"

Vakadaro vari pa call ndikabva ndaswedera


pa door ravo ndikabva ndavhura nzeve
dzangu zvikanzi

"Ehe now handichina stress ndaishaiwa kuti


ndomuwanepi apa Peti kanga kakunetsa"

Vakadaro asi munhu wavaitaura naye


ndaisamunzwa ,ndaingonzwa zvavanodaira
chete zvikanzi

"Ehe kanga kane mazuva kasina kunwa


ropa"

Ndakarohwa nehana ndikatanga kubwaira


maziso angu ndiri padoor ipapo. Nyaya
yacho andina kunatsa kuinzwisisa,Peti ainzi
akuda ropa ameno kuti kamunhu here kana
kuti kamhuka. Saka ropa racho raida
kubvepi? Ndakazonzwa vasisipo pa call iya ,
ndakanzwa vachizvijatira pamubhedha.
Ndakabva ndaswedera padhuze dhuze
nemukova wavo ndikabva ndatsinzina ziso
rangu kwakudongera mukati macho.

Ndakarohwa nehana ndichiona zinyoka


rakanga rakakura richifamba kukwira
pamubhedha,ivo vakabva vamisa makumbo
mudenga apa vakanga vasina nduwe.

Nyoka iya yakatanga kuvananzva nanzva.


Ichibva yaenda pa honeypot yavo ikatanga
kunanzva futi ,ivo vaiva busy kubudisa
zvima sounds zvisinganzwisisiki. Ndakabva
ndanyahwaira kuenda kuroom kwangu.
Hana ichiita kubika manhanga.
Zvandakanga ndaona zvaityisa veduwe.
Hura hwangu hwakatanga kutamba
muchongoyo mudumbu mangu iko kwaiva
kutya. Pfungwa dzakange dzofunga kure
chaiko. Saka mai ava vaida kundiuraya ropa
rangu voripa Peti. Ndakachema veduwe
ndakagumbata maoko angu.

Ndakatora foni ndikayiita on ,ndakanyora


msg ndikasendera Rea ,ndainyora maoko
angu achitenheka kuri kutya. Ndichipedza
ndakaidzima ndainge ndamuisira msg yekuti
"huya unditore hakuna kumira zvakanaka."

Ndakaisa zvinhu zvangu zvese mubag


ndikabuda mumba ndichifamba zvishoma
ndisingadi kunzikwa. Ndakatarisa
mukomana wehovhorosi uya asi handina
kumuona, anenge aidiridza maruva kuseri
kweimba. ndakabva ndamhanya kuenda
kugedhe. Handifungi kuti kubuda mumba
kwandakaita ndakanzikwa. Mai ava vaitova
busy nenyoka yavo. Ndakamira
ndichitopererwa kuti saka ndobuda sei?
Yard yavo yakanga yakakomberedzwa
nezvitinha pamusoro pacho pakaiswa
mabhotoro zvekuti hapakwiriki.

Ndainge ndachipererwa zvino


ndakangomira kudaro ,chainge chasara
kuonekwa ndakamira. Ndakabva ndakanda
bag rangu kunze ndikakwira pamudhuri uya ,
ndakatanga kuchekwa maoko angu
nemabhotoro. Ndakashingirira asi
zvairwadza chaiko. Ndainge ndotya
kuonekwa nevanhu ndiripo pamusoro ipapo.
Pandakanga ndoda kujambira kuseri
ndakabva ndaresva kubata ndikadonha
nedumbu ipo pamusoro pemabhotoro.
Ndakatanga kuchema ndiripo
ndikazozvishingisa ndikadonhera kuseri.

Ndakadonha seshamba ndikayuwira. Uku


misodzi yakanga yava pamatama. Gumbo
rangu rakanga rakurwadza richiita sera
minyuka. Handina kuterera marwadzo
ndikasimuka fast ndikanhonga kabag kangu
ndikati chitsoka ndibereke.

Chandaida kuzviponesa panguva iyi.


Ndaimhanya ndichikamhina uku
ndichicheuka kumashure kuona kuti hakuna
ari kunditevera here. Ndakazoti ndave
chinhambwe ndakabva ndadonha pasi ,
ndikatanga kufemera pamusoro. Pasina
nguva ndakabva ndabatwa nedzungu.
Ndakaedza kusimuka kuti ndiende asi
ndakatadza. Hakuna kana mota yandakaona
yekuti yaigona kundibatsira. Mumaziso
angu ndainge ndoona zvinhu zvakasiyana
siyana ndikazongonyararawo ndakadaro.

*End of chapter*
*Love you all guys *
[27/08, 17:49] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/KjjCZtBEke866X
Us7S9QI6

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*
#0621141536

*Chapter 25*

*REA*

Ndainge ndiri muroom mangu ndakatorara


hangu ndichiridza music ndakaisa volume
pasi pasi. Ndaigutsurira soro rangu
ndakarara kudaro ndichinzwa kunakidza
kwemimhanzi. Lizzy akazouya kundidanira
kudya ndikaenda kunodya.

Ndange ndane mazuva ndichiramba chikafu


chake chaanobika ,musi uyu ndakangoti
regai ndinodya nevamwe ,ndaisada kuti
mama vanyumwe kuti pane zvakaitika so
kuramba chikafu kwandaiita zvaizobatika.

Ndakagara nadad na mom tikatanga kudya.


Nyaya iya andina kuzoda
kuvabvunza ,ndakangosiyana nazvo.
Ndaizovabvunza rimwe zuva. Asi chiso cha
mom chakanga chane kakupusa
zvandakatadza kuziva kuti neyi zvadaro.
Ndinosiziva vachitaurisa but vakanga voita
semunhu anorwara.

Ndiri pakati pekudya foni yangu yakarira iri


muhomwe ,ndichibva ndaitora ndikaona iri
message yakanga yapinda. Ndakavhura
message yacho ndikaona yabva kuna Dee ,
kamoyo kakanga katova nechidokwa dokwa
chekuona message yacho asi
pandakazoverenga message yacho
ndakapindwa nechando.

Ndokutuzura ndigere patafura ipapo. Mom


vakabvunza kuti chii asi andina
kudaira ,ndichibva ndasunda plate ye rice
kwakadaro. Ndokurova bara ndakananga
kumota. Hana yangu yaive yorovera kugotsi
chaiko. Dee wangu ainge apindana neipi
futi ,ndaingozvibvunza ndega asi
wekundipindura wacho akanga asipo.

Ndichisvika pamota ndakaona ndisina ma


keys emota ,ndakazviridzira tsamwa
ndichidzoka mumba ndichimhanya. Mom
na dad vakandiona ndichingo mhanya
mhanya asi havana kuziva chayiita kuti
ndidaro. Ruva remoyo wangu rairatidza kuti
riri pakaoma. Ndakabva ndaziva kuti pane
chaitika kubasa kwake.

Handina kumufonera sezvo ndaiona


sendinopedza nguva ndichitadza ku driver
kunanga ikoko kwacho. Ndakatora ma keys
ndokupinda mumota ndika driver pfungwa
dzangu dzisina kugadzikana. Kutaura
chokwadi ndainge ndotya. Kutyira mumwe
wangu veduwe.

Muroad macho maibhowa mota dzacho


dzakanga dzakawanda. Kuti ndi overtake
zvaisabuda cz ndaigona kubondera
nedzimwe mota. Ndakazobuda mu tarred
road ndokutora ka dust road kaienda
kumba kwakaenda kunoshanda Dee. Mu
dust road imomo ndakairova mota
zvekuenda zviya. Ndakanga ndononokerwa
nekuona Dee. Ndichi driver kudaro
ndakabva ndadzora speed nekuda
kwevanhu vandakaona kumberi kwangu
vari muroad chaimo. Vayiita
sevanosimudzana. Ndakasvika ipapo
kwakudzika ndomhanya
kwavaiva ,ndakazovhunduka ndichiona ari
Dee aisimudzwa nevamwe sekuru vechikuru.
Vaitotadza kumusimudza nekuda
kwekukura kwavakanga vaita.

Ndakabata Dee uya ndikaona akati


rabada,ndakaisa ruoko rwangu pa chest
yake ndikanzwa achifemera kure , veduwe
ndakarwadziwa nezvaakanga ari zvacho.
Akanga azere ropa nemavanga airatidza kuti
achekwa but kusaziva kuti neyi.sekuru vaya
vakati

"Mwanangu mhanya nemwana kuchipatara


handizivi kuti aitwa sei? Ndamuona akarara
ipapa asi simba rekumusimudza ndarishaya
mwanangu wee moyo warwadza kusiya
akadaro."
Vakadaro sekuru vaya ndikavatenda
nemoyo wese , ndikabva ndabudisa mari
yaiva muhomwe mangu ndikapa sekuru
vaya. Hameno yaiva marii andina
kumbozvitarisa ,vakati

"Waita basa muzukuru waita sewafemerwa


kumba uko akuna chekubata Mwari
ngawedzere pawatapudza."ndikati

"Zvakanaka sekuru regai ndimhanye


nemunhu wangu."

Ndakasimudza Dee ndikamhanya naye


kumota. Ndichibva ndafonera doctor kuti
vasvike kumba kwangu. Havana kunonoka
kudavira doctor vacho vakati vanosvika
manje manje. Nguva yandakange ndomutsa
mota pakabva pasvika rimwe bango remota.
Yakamira mota iya pakaburuka mukadzi
mugiant nemukomana aive akapfeka
hovhorosi. Vakauya pamota yangu zvikanzi
"Unofara here mukomana ,wamboonawo
chisikana chikati rebei mbichana uye
hachina kunyanya kutsvuka chakati simbei
futi mbichana."

Vakadaro amai vaya ndikaziva kuti ndi Dee


ari kutsvagwa. Ndakavhiringika ndichishaya
kuti Dee akanga abuda sei pamba pavo uye
akanga aitwa sei futi.ndikati

"Handina kumuona mom ndichangosvikawo


pano manje manje pamwe ashandisa imwe
road isiri ino."

Pandakadaro vakabva vabata musoro wavo.


Pamwe kwaiva kupererwa dzaingovawo
pfungwa dzangu. Handina kuzoda kutaura
navo zvakawanda ndikabva ndarova mota
ndikaenda kumba. Doctor ndakasvikirana
navo ndikavhura gate ndokupinda hedu.
Ndakasimudza Dee ndikaenda naye mumba
ndikamuradzika pabed. Doctor vakatanga
kuita basa ndikabva ndaenda kunogeza.

Ndichipedza ndakawana doctor vapedza


vakati

"Mwana anyanya kukuvara uyu ,ndamuzora


mushonga ndichasiya umwe wekuti azozora
kana achinge ageza,anomuka hake manje
manje angofenda chete." Ndikati

"Thank you doctor anyanya kukuvara papi


maoko ndiwo andaona akachekwa chekwa
ayo" vakati

"Dumbu rese iri rizere mavanga kana


womuzora usatombonyara zvako
unotomuzora zvakanaka mushonga wacho
unorwadza ndewe kuti akasire kuoma
maronda iwawa."
Ndakavhura dumbu rake ndikanzwa
kurwadza zvakanyanya. Ndaive
nezvakawanda zvandaida kuziva kuti
zvambofamba sei chaizvo. Doctor vakaenda
ndikasara ndakarindira Dee wangu.
Ndaiyeverwa ndakamutarisa akarara kudaro.
Babe rangu kunaka netsiyo , malips ake
akatsvukuruka zvaitora moyo wangu.

Ndakabva ndambomupa katsvodi


pamuromo. Chest yake yaioneka kuti ari
kufema hake. Ndaisada kurasikirwa
nemumwe wangu ,zvino nharo dzake
dzakange dzoda kumuisa pakaoma.
Ndakatora bag rake ndikatarisa fon
ndikaona irimo yakatodzimwa zvayo.

Pasina nguva Dee akamuka achidaidza zita


rangu ndikanzwa kufara. Moyo wangu
ukabva wagadzikana.

"Ndiri pano babe"


Ndakadaro ndichikwira pabed paaiva.
Akavhura maziso ake akamamhanyisa
mhanyisa achibva anditi ndee mumaziso
mangu. Aitooneka kuti akabatwa ne
confusion ndikambomusiya akadaro
ndichida kuona zvaanoita. Ndakazoona
akusvimha misodzi ndikaswedera paari
ndikati

"Babe chirega kuchema umbozorora


wozondiudza zvaitika."

Akawedzera kuchema achibva


andimbundira akati

"Ndiripi Rea ndiri kutya ini"

Akadaro akandimbundira ndikamubatawo


ndikati
"Usatya babe wangu ndiri pano hakuna
chinokuwana ,ungandiudzawo zvaitika
here?" Akati

"Ndaida kuchekereswa kani Rea ropa racho


vaida kuripa Peti"

Akadaro Dee achichema ndikatadza kuziva


kuti Peti wacho munhu here?
Ndakamubhabhadzira musana wake
akachema kusvika shungu dzake dzapera
achibva anyarara ndikati

"Chindiudza zvakanaka babe handina


kunzwisisa zvawataura"

Akabva asimuka akadonha achibata gumbo


rake "gumbo rangu kani" ndikati "raita sei
babe uri kuda kuendepi,gara pasi" akati "riri
kurwadza ,ndiri kuda kuzvibatsira."
Ndakamusimudza ndikaenda naye. Apedza
ndakamusimudza futi tikanogara pabed.
Ndakabva ndaenda ku kitchen kuno boiler
mvura , ndaida kupisa pisa gumbo rake ,
rakanga rakutozvimba apa doctor vakange
vaenda vasina kuzviona. Mvura ichiboila
ndakatora bucket ndikaisa mvura yacho.
Ndikati

"Urikunzwa sera minyuka here?"


Akagutsurira musoro ndikabata gumbo
racho ndikatanga
kuritwasanudza ,aitochema ndichidaro asi
andina kuzvitarisa zvekuchema kwake ikoko
ndikaenderera mberi ,ndaida kuti rikasike
kupora.ndakabva ndatanga kumutova
ndikati

"Usachema babe unoita right ndinokuda


babe sakei ndichiita care newe"
Ndakapedza zvandaiita ndikatora mushonga
wema joints ndikamuzora ndikapedza
ndokugara paside pake. Ndakabva
ndamuisa pa chest pangu ndikatanga
kumupurizira. Iye aingokwiridzira madzihwa
ndikaziva kuti ari kurwadziwa. Ndikati

"Chitaura babe" akati

"Kumba kwandakaenda kunoshanda


kunotyisa Rea ,musi wawandiperekedza uya
ndakarara ndichibatwa nemadzikirira
ndikaita sendichafira kuhope. Zvadaro
mangwana acho mwana wavo akandipa
mari achiti dzokera kumba achiti hauna
kuuya kushanda asi wakauya kuunza mari
pano but ndakashaiwa mabudiro nekuti
gateman akaramba kundivhurira gate ,nhasi
ndipo pandanzwa Mai vacho vari pa call
vachitaura ne munhu vachiti munhu
wavaida vakamuwana zvikanzi Peti aive oda
ropa ndikazoona vachinanzviwa nenyoka
yakakura uye yaityisa ndikabva ndatiza"

Akadaro Dee ndikabva ndatura mafemo


zvese nekupererwa chaiko. So vaida
kuchekeresa mwana nhai , vamwe vanhu
havana moyo veduwe ndakarwadziwa Dee
achindirondedzera. Ndikati

"Saka wazovhurirwa gedhe nani" akati

"Andina kuvhurirwa ini ndakwira pamusoro


pe durahall ndikachekwa nemabhotoro
ndikadonha gumbo rangu
rikaminyuka ,ndazongodonha ndatova
chinhambwe ndikabva ndatoti zii , izvozvi
hana yangu ichiri kurova Rea zvandaona
zvinotyisa." said Dee ndikati

"Chirega kutya ndiri pano babe ,ndotenda


kuti uri mupenyu zvawanga woda
kundirwadzisa nhai Dee ,saka mari yacho
iripi yawakapiwa" akati

"Iri mubag umo" ndikati

"Handisi kuda uyishandise mari iyoyo ndoda


kuipisa ,mari dzeropa hadzina kunaka
kushandisa."

Dee akanga asangana nezvakaoma uye


kuona zvisingaonekwi ,ndaida
kuzoperekedza Dee kumba kwavo kana ava
mangwana. Ndaida kurara naye ndichinatsa
kuona mumwe wangu. Ndakabvunza Dee
kuti

"Uri kuda chikafu chipi ndibike" akati

"Handisi kuda chikafu nyama yandakadya


handisi kuziva kuti ndeyei moyo wangu uri
kutomir....."
Haana kupedzisa kutaura akanga akurutsa
ndikamubata kuti asadonha sezvo akanga
akotama achirutsira pama tiles , aibudisa
zvakasviba kuti tsva,akarutsa kusara
kumeso kwacheneruka ndikaenda naye ku
bathroom. Ndakamuti ageze asi akati haana
simba. Ndainge ndoshaya kuti ndodii. Apa
akanga ongokosora zvisinganzwisisiki
ndainge ndachingobata maoko chete kuri
kupererwa.

"Zviri kudini babe"

Ndakabvunza asi aisakwanisa kudavira


nekukosora kwaaiita. Akanga akuita
seapondwa mabhonzo ake achibva azongoti
rabada. Ipapo ndakahuta veduwe uku hana
ichirova chaizvo. Ndakabata chest yake
ndikanzwa achifema. Ndakangoti "Jehovah
saka mati ndiite sei kana zvadai hamuoni
kuti ndiri kutambura here ndibatsireiwo"
Ndakatoona kuti zvekuita hapana
ndikamubvisa hembe dzake ndikamugezesa.
Maida ndiite seiwo veduwe. Nyadzi
ndakatombodziisa paside ndokupedza
kumugezesa ndikamuputira ne towel
ndikanomuradzika pabed ndikatanga
kumuzora mafuta.

Pakumuzora mafuta apa junior wangu


akagwinha zvisingaiti , honeypot yake
yaisava nebvudzi rakawanda ndainge
ndoyeverwa ndakaitarisa. Ndakati Mwari
ndiregereiwo satan ngasandiisa pamuyedzo.
Ndapedza kumuzora mafuta ndakamuzora
mushonga wake ainge akakuwara
nemazumu ake. Ndakapedza ndikatarisa
hembe dzakachena ndikamupfekedza.
Ndakaita zvivindi zvandisati
ndakamboita ,asi handi aiva babe wangu
here ndaisafana kunyara mhani.
Ndichipedza ndakamufukidza jira
ndikapfugama pasi kunamata. Kana wanga
wa mweya wakaipa wainge wabata Dee
ndakautukirira chaiko. Ndichipedza
kunamata ndakaona asvinura maziso ake.
Ndikati

"Uri kunzwa sei babe" akati

"Ndakunzwa bho Rea asi mudumbu mangu


hamuchina chinhu ndakunzwa nzara."

Ndakabva nda cleaner marutsi ake


ndikaenda kunobika. Mumba mangu
maigara mune zvese but nyama yakanga
yashoma ndaida kuzotenga imwe.
Ndakakasira kubika nekuti Dee aitoratidza
kuti ava nenzara. Ndapedza kubika ndakaisa
sadza muma plate ndikanoisa pa table.
Ndichipedza ndakanotora Dee tikanogara
patafura. Dee akabvunza kuti
"Tiri kupi kuno Rea" ndikati

"Ndiyo imba yako ino babe" akati

"Imba yangu?" Ndikati

"Ehe babe ndiyo imba yedu yatichazogara"


akati

"Hoo yakanaka ,ko ndapfeka nguvai hembe


idzi"

Ndakabva ndaseka ndichishaiwa


zvekumupindura ndikazongoti

"Idya babe chikafu chako chinopora"

Haana kuzoramba achibvunza achibva


atanga kudya. Babe wangu akadya
achiratidza kuti anga arwadziwa nenzara.
Akadya akasiya kasadza kadiki ndikati
"Pedzisa sadza rako" akati

"Ndaguta ini"

Aida kusimuka kunotsveta plate yake


ndikamurambidza akaita nharo akasimuka
kwakukamhinha achienda. Ndakapedzawo
kudya ndikatorana na Dee tikaenda
kubedroom.

Zuva rakanga ratovira kunze kwatosviba


ndikabasa light kuti mumba mujeke ndikati

"Worara muno babe inini ndichanorara


kune imwe room" akati

"Handidi kurara ndega ndiri kutya ini"


ndikati

"Saka torara tese pa same bed here?"


Akabva anyarara achinyara futi , akaramba
kurara ega nekuda kwekuti akanga achiri
kutya. Maybe zvaive akaona zvakanga
zvichiri mumaziso ake. Paisava nezve kuita
ndaitongorara naye. Aigona kaa kurara
achivhumuka. Ndikati

"Ndakurara newe kwacho ,kana uchitya


kufuga neni blanket rega nditarise rimwe
blanket mu wadrope umo"

Ndakadaro ndichitosimuka kunotora


blanket racho. Akanga akangonyarara kuita
sendaiva ndoga hangu. Hameno kwaiva
kutya here apana zvandaimboda kumuita
ini pamwe akanga akutondifungira zvisizvo.

"Babe!!!" Achibva ati

"Hmmmmh" ndikati
"Uri kufungei? Kana zvisingaiti kuti tirare
tese pano ndiende hangu kunorara kune
imwe room" akati

"Ayewa usaenda ndati ndiri kutya wani ,


hameno zvandiri kungoona mumaziso angu
ndiri kuona shiri dziri kubhururuka dzichida
kuuya kundiruma zviri kuita sendiri kurota
apa ndakasvinura"said Dee ndikati

"Babe haisi nyaya yekufunga zvawaona here?


Usafunga nezvazvo unogona kurwara nazvo
huya tinamate"

Takadzika pasi tikatanga kunamata asi Dee


andina kunzwa kunamata kwake.
Ndakapedza kunamata angori zii. Zvainge
zvoitika pana Dee zvaitoda kushinga.

Takakwira pabed ndikambomuisa pachest


pangu ndichizama kumudzikamisa. Ndikati
"Babe zvawaona zvirasire kure ukazvifunga
unenge wakuona zvakasiyana siyana ,nezita
rajesu hapana chinoitika babe wangu kana
wakunamata usanzwa kuneta nekuti
ukadaro mweya yetsvina inokujairira."

Akagutsururira musoro wake , zvakanga


zvakutondirwadzawo ini kutondiitisa stress
chaiko,asi ndaizomira naye pamunamato.
Mai ivavo inenge yaitova tsika yavo
kuchekeresa vasikana vebasa zvino Mwari
vakanga vapindira pana Dee. Vamwe vanhu
havatyi Mwari veduwe kushinga
kunanzviwa nenyota. Ini ndichiti ndikaona
dzvinyu chairo ndinotiza. Haa ndiko
kusiyana kwevanhu zveshuwa.

Ndakatarisa Dee ndikaona atorara pa chest


pangu ipapo. Ndakabva ndatomuratidza
pasi ndikamufukidza jira rake. Hope
dzakabva dzatondibatawo ndikarara. Junior
wangu haana kumboda kunetsa
ndakatotenda Mwari cz ndaigona kuzoita
Dee zvisizvo. Ndarara kudaro ndakamuka
pakati pehusiku ndikanamata. Dee haana
kumbobvira amuka ,akatorara hope kufa
chaiko.

Kunze kuchiedza ndakanogeza. Ndapedza


ndakaenda ku kitchen ndikanosuka zvima
plate zvatakadyira ndikagadzira cereal
ndikaenda nayo kunopa Dee. Akanga
akacharara ndikamumutsa achibva amuka.

"Wamuka sei babe , inga wararisa wanga


uchiri kuda kukura kaa"

Akatanga kushama n'ai achizvitwasanura


akati

"Ndanga ndine hope dzisingaiti ndanga


ndane mazuva maviri ndisingarari hadzisati
dzatopera hope dzacho. Ndamuka bho dady
wamuka seiwo." Ndikati
"Ndamuka bho babe ko gumbo harisi
kurwadza here?" Akati

"Rakurwadzira kure"

Ndakatora towel rake ndikanorinyorovesa


ndikamupa kuti apukute kumeso aone
kudya. Akaita sekudaro ndikanoisa nyama
pa stove ndaida kuzoibikira rice racho.

Ndainzwa kuti ndiri pamba pangu stress


kuenda kure chaiko ,zvoti babe pa side
ndainzwa kusununguka hangu handidi
kunyepa. Apa vana mom handina kuvaudza
kuti ndarara kumba
kwangu ,ndakangonyararawo ini. Dee
akapedza kudya akauya ne plate ku kitchen
akati

"Ndoda ku cleaner mumba" ndikati


"Kwete babe hausati wave right
imbozorora" akati

"Ndabho ini Rea gumbo ndiro riri


kurwadzira kure chete ,ko unondiperekedza
rini kumba" ndikati

"Ndoenda newe nhasi ,huya tibike"

Takatanga kubika,akabika nyama akapedza


akati ari kuda kugeza ndikanomuratidza
kwekugezera akabva ageza ndikanopedzisa
kubika rice. Dai ndakanga ndane nguva
yakareba ndichidanana na Dee
ndaitomuroora hangu togara pamba pedu
zvino akanga achiri mangwana zvekuti
tiroorane. Zvaitomboda nguva kuti
andidzidze uye ndichidzidzawo iye.

Ndakapedza kubika ndikaenda ku bedroom


ndikaona Dee akamonera towel ndikabva
ndaramba ndakamutarisa ndichitonyara
kudzokera shure ndikafamba kuenda paaive
ndikamubata achibva avhunduka
ndikatanga kutomunama kiss. Akatanga
asingadzoreri asi akadzimara adzorera
tikakisana ende zvainakidza chaiko.
Ndakabata muchiuno make towel richibva
radonha. Kudonha kwakaita tauro kwakaita
kuti Dee apembenuke pfungwa dzake cz
akanga akutonakirwa. Akatora towel rake
fast akabva azvimonera.

Uyu junior wangu akanga akutondinetsa


kunzwa kuda kuramba ndichikisa Dee.

"Ndoda kupfeka Rea ndinokumbirawo


ubude"

Akadaro Dee achinyara. Ndakabva ndabuda


ndikadzokera kitchen ndikanopakura food.
Dee akazouya ndatogadzira table tikabva
tadya asi airatidza kunyara. Dai aiziva kuti
ndakamugezesa ndichiona zvese aisanyara
kudaro. Tapedza kudya akabva asuka ma
plate ndikamuratidza zvakaita imba yangu.
Takatenderera mese achingo commenter
kuti makanaka. Takazoenda kunozorora
takagara pamubhedha tichitaura nyaya.

"Mamoyo" ndakadaro akati

"Samaita"

Ndakanyemwerera Dee achidaro ende


ndainge ndisina kumbofunga kuti
angandidaro ndikati

"Ndinokuda zvakanyanya babe moyo wangu


uri kuda kuramba ndinewe mumba medu
muno"

Akanditarisa achibudisa zvikomba zvake


zvemumatama ndikanzwa kuda kumukisa
ndikabva ndaswedera pedyo naye
ndikatanga kumukisa iye haana kunonoka
kudzorera. Takadyanana muromo ndichiisa
rurimi rwangu mukanwa make. Ndaive
ndakunzwa kuda asi ndakazvidzora.
Takaramba tichidaro achibva anatsa
kundibatira anenge anga asingachanzwi
zvakanaka.

Takabva tawisirana pabed ndikafambisa


ruoko rwangu kubata zamu rake asi haana
kuvhunduka anenge akanga amudenga
rechinomwe. Mazamu ake ainakidza kubata
ndaisanyanya kubatisa cz aiva
nezvimavanga zvekuchekwa nemabhotoro
asi mavanga acho akanga akuda kuoma ,
mushonga wacho waishanda chaiko.

Dee akanga akundikisa zvekuti ndainzwa


junior achinatsa kusamhuka chaiko apa
gumbo rake raigumha gumha junior wangu.
Ndakatadza kuziva kuti ndorova zvinhu here
kana kuti ndorega. Ma feelings andainzwa
akandituma kuti Dee ndimuite mukadzi
ndikabva ndabvisa hembe dzese. Mwana
wevanhu apana chaakanga achaziva aive
apera basa kare. Ndakamubvisawo hembe
dzake asi nguva yandakaona maronda ake
ndakabva ndazvidzora ndikazvibvunza kuti
asi ndiri kuitei?.

Ndakabva ndamira kukisa Dee, akanga


asara ne pent chete achibva ashamisika
achiona asina hembe. Ini wacho ndainge
ndasarawo nechi boxer short chete. Dee
akanyara akazvivhara ne jira achibva
atofuga jira nemusoro. Zvandakanga ndoda
kuita zvaisaita ndikabva ndapfeka hembe
dzangu ndikabuda ndichiitira kuti Dee asare
achipfeka.

Ndakazodzoka apedza kupfeka asi akanga


asingachadi kunditarisa.

"Babe ndipe mari iya ndinoipisa"


Akabva atora mari yacho akandipa
ndikatora matches ndikanoipisa panze.
Ndapedza ndakadzokera mumba ndikati

"Ngatiende zvedu babe"

Akagadzira pabed tikabva tabuda kuenda


kumota. Taifamba tichitaura nyaya dzevaviri
asi iye aingonyara nyara. Tichisvika kumba
kwacho ndakabva ndati

"Ko gogo uchavaudza kutii babe"

"Ndovaudza zvakaitika" ndikati

"Unoti wakarara kupi?"

Akabva anyarara ndikati


"Unoti wakarara kuchipatara handiti ,
vakaziva kuti wakarara kumba kwangu
unogona kutukwa" akati
"Horaiti" ndakabudisa mari
ndikamupa ,aizotenga zvanenge achida
achibva atenda. Ndikati "chipa dady kiss ye
goodbye" akabva andibata ruoko rwangu
akarukisa ndikabva ndaseka ndikati "ndoda
yepamuromo" zvikanzi

"Aah unoda kuzondibvisa hembe dzangu"

Ndakaseka Dee achitaura kudaro. Ndikati


"sorry babe wangu zvanga
zvangondibatawo chindipa uyende hausati
wasuwa gogo here?" Akabva angotsvoda
achibva abuda mumota ndikamuperekedza.
Ndakabva ndafunga kutosvika pamba
ndichimhoresa gogo. Takasvika vachidya
mbambaira tikakwazisana asi
zvakatovanetsa kuona Dee achisvika ne bag.

Ndakabva ndatovaudza kuti ndakudzokera


vakandiisira mbambaira muplastic
ndikadzokera hangu. Ndaida kuti gogo
nemuzukuru vakurukure ,ndichibva
ndaenda hangu kumba ndichidya
mbambaira. Ndichisvika kumba ndakaenda
neku sitting room ndikaona kuna mom
nadad ndikavamhoresa ,mom vakati

"Wanga uri kupi Rea uye wakarara kupi?"


Said mom ndikati

"Ndakura ini mhamha zera rangu rino


moswera kundibvunza kuti ndakarara kupi
handisi mwana mudiki" vakati

"Kutanga rini Rea kusarara pamba sei


wachinja nowadays" ndikati

"Kuchinja chii?" Vakati

"Maitiro chaiwo ,hauchasi Rea


wandinoziva." Ndikati
"Andina kuchinja mama ndakarara kumba
kwangu ndichizorodza pfungwa dzangu
nditori nezvinondinetsa mupfungwa dzangu
so musaita henyu worry neni nditori right
ndakadaro."

Ndakabva ndaenda ku room


kwangu ,ndichangopinda Lizzy akabva
atevera mumashure mangu achiita seanoda
kundiudza something ndikabva ndamira
ndichida kunzwa zvaanotaura.

"Sorry nekuuya kuno ndokumbirawo


kutaura nemi"

Ndakamuti ngatipinde mumba tichibva


tapinda ndikarara zvangu pabed ndikati

"Taura nyaya yako"

Ndakadaro ndichibvisa bhutsu dzangu ,akati


"Mukoma Rea ndiregereiwo ndakatumwa
ndisingadi" said Lizzy ndikati

"Wakatumwa chii?"akati

"Uhm....uh" ndikati

"Kana usina zvekutaura buda muno Lizzy"

Akabva apfugama pasi ,face yake


yaitoratidza kuti ari kunetseka akati

"Ndakatumwa na Kimbi kuisa drug mu drink


zvandiremera kugara nazvo mumoyo
ndakaedza kuramba asi akandimanikidza"

Ndakanzwa hasha ndikasimuka kumupa


mbama. Mwana ane miyedzo neni uyu.
Ende zvandaifungira zvakabva zvaita izvo
chaizvo. Ndaida kumurova zvekumupwanya
pwaya chaiko asi ndakazozvidzora.
"Lizzy une shuwa kubvuma zvakapusa
kudaro. Saka ukanzi uraya munhu unogona
kumuuraya ka, andichaku trust Lizzy
unomboziva zvinodzingisa basa here?"akati

"Pakaita mistake please forgive me


andichazviiti futi."

Ndakazomunzwira tsitsi achisvimha misodzi.


Asi zvakandibata bata kwete zvekutamba.
Munhu webasa angabvuma kushandiswa ne
demon zvaro. Kimbi ndiye andakanga ndoda
kukwapaidza chaiko ndikati

"Ndiwe uchazova mumiriri wangu panyaya


iyi wanzwa here? Nekuti one day ichashata
nyaya yacho so ndiwe unozoudza vanhu
kuti ndakatumwa kuisa drug mudrink."

Akagutsurira ndikati ayende achibva abuda.


Kundibvisa mu mood yangu yandaiva
zvangu. Ini ndaitozvifarira hangu nekurara
na Dee kumba kwangu ndichifara naye
kunyangwe aiva mumarwadzo hake but
ndaitofara kuva nemunhu wangu. Akanga
atova bho hake uhm mai vaya vaitoda
kuuraya wife yangu.

*End of chapter*

*Love you all guys *

[27/08, 17:49] +27 62 114 1536: Follow this


link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Ios8pJVRKQMH
lNt7dCSxKE
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536
*Chapter 26*

*MELISSA*

Nguva yandakadaidza Mona anenge asina


kundinzwa. Ndakadzokorora futi kutarisa
mu bedroom ma mama ,hana ndokurova
zvakasimba. Mama vakanga
vakazvikochekera pa danda repa mazenge
uku tambo iri muhuro vakaita kurezuka,
vaive vatobudisa rurimi panze ,uku ropa
richibuda nemumuromo zvese nemu mhino.
Mai ava vakanga vafungeiko nhai veduwe ,
Asi vakanga vachiri kugwinha gwinha
kuratidza kuti vakanga vasina nguva
vazvisungirira. Ndakaedza kukwira pa
window ipapo kuti ndipinde mumba. Asi
ndakabva ndadonha uku ndichibudisa futi
mweya nekumagadziko.

Nxii ndakamhanya kuenda kuna Mona ndiri


mhepo. Ndikasvika kuwira pamakumbo ake ,
"chiiko iwe wakupenga here?" said Mona
amira kusuka mandiro. Ini ndainge ndotya.
Kana kuri kufemereka ndaifema semombe
uye zvine mutsindo.

"Mama vazvisungirira iwe Mona ndasiya


vachitauta mhanya kani Mona asi door
rakakiiwa ndaedza kukwira pa window asi
ndakonewa."

Ndakazopedza kutaura Mona aita ku


screamer. Achibva akanda kachisukiso kaiva
mumaoko achibva amhanya kuenda ku
window kuya. Ini ndakambosara ndakagara
ndichishaiwa simba. Rakanga rava shoma
mandiri.

Hongu mama vakanga vanditadzira mhani


asi ndaisada kuti vafe nenzira iyoyo. Ndakati
simu ndokuenda kubakwa. Ndichibva
ndamhidzura zidanda raivapo ndikanorova
door kuti rivhurike. Rakambotora nguva
richiramba richibva razovhurika. Ndakaona
Mona atori busy kusimudza mama
mudenga kuti vasaramba vachidzvinyiwa
netambo.

Ini ndakabva ndamhanya mumba


ndikanotora banga. Zvese zvandaiita
zvaingova zvekumhanya-mhanya chete.
Ndakadzoka ndikakwira pa chair
ndikadambura tambo iya ,mama vakabva
vadonha seshamba. Mona akanga
ongochema. Ini misodzi yacho handina
kumboiwana asi ndaingonzwa kurwadziwa
chete,pamwe nekutya.

Yakava batai batai kuzunungusa mama asi


vaisafema. But muviri wavo
waidziya ,chiona weti yavaive vaweta yaive
yakawanda. Uku taive tonzwa kunhuhwa
futi ,kunodai mubhurugwa mavo maive
makazvimba. Ndikaziva kuti uyu mukunye
weduzvi. Musatamba nekuzvisungurira
haiwa kunorwadza kuzoona mweya wako
waenda unenge waweta kashanu.

"Melissa ,Melissa todiiko? Ndapererwa ini


manga mafungeiko mama chii chashata
zvee nhai mama"

Akadaro Mona achichema ndikati

"Calm down Mona rega ndifonere baba


sipho pamwe vangatibatsira nemota yavo
timhanye navo kuchipatara"
Akagutsurira musoro. Airatidza kuti ashaya
zvekuita zvokwadi. Ndakabva ndafonera
baba Sipho vacho. Havana kunonoka
kudaira ndikatoamba nekutaura nyaya
yangu vakabva vanzwisisa vakati vari
kusvika manje manje.

Baba Sipho yaiva next door yedu. Aiva


murume aitozvigarirawo ega hake asina
kana mukadzi even vana vaisava navo.
Pasina nguva baba Sipho vakanga vasvika.
Takatakura mama tikavaisa mumota
nepupu yavo. Atina kuwana nguva
yekumbogezesa munhu isu. Takaenda tese
kuchipatara kwacho , kwakanga kusiri kure
zvekuti pa 30 minutes tainge tasvika.

Tichingosvika ma nurse akaita batai batai


kurapa mama. Isu takasara takagara panze
tichimirira kunzwa kuti zvava sei now. Abvai
mwana wamai vangu Mona aingochema
hake zvaitonzwisa tsitsi. Baba Sipho
vakazoti

"Chii chamboitika Melissa?"

Vakabvunza ndikavarondedzera zvekuti


tangowanawo vatozvisungirira. Chikonzero
chacho hapana aichiziva. Shuwa kuda kusiya
sadza richinaka munhu achida kuenda
kusingadzokwi. Takaita nguva takangogara
nurse vachibva vazouya vakati

"Now handina mashoko anofadza cz hapana


chati chachinja vanonokerwa ava zvekuti
dai manonoka kusvika navo ingadai vatova
chando. Mozodzoka mangwana,tichaedza
nepatinogona kuti vararame." said nurse

Takavatenda tichibva tadzokera kumba.


Baba Sipho vakatisiya pamba vachibva
vaenda havo. Vakangotisimbisawo kuti
vanoita right. Ndakasara nemwana wamai
vangu akangopora pora , maziso ake akanga
atsvuka ,apa face yake yakange yachinja.
"But mama vanorwara chaiko chavaida
kuzviurayira ipapa chii?"

Ndakadaro Mona achibva andidzvokora


neziso rine mutauro achibva ati

"Melissa unobhohwa handidi


kukunyepera ,kana wazogara uchaita ngozi
chete iwewe ,uri munhu rudzii asingadi
kuvhara gaba rake ,kwako kuda kunzi
unogona kutaurisa here?"

Akadaro Mona achiratidza


kusvotwa ,ndikatadza kuziva chandatadza
chacho. Ndingaita ngozi kuti ndenge
ndauraya munhu here ndikati

"Taura kwawaswera Mona inini handidi


nemashoko angu. Inini ndiri kupinda papi
pakuzvisungirira kwavo. Wambondiona
ndichinovabatira chair kuti vakwire vaone
kuzvisungirira here?" akati

"Mashoko ako Melissa ndiwo aita zvese


zvidai. Vakafa unozoikunda here ngozi
yacho." Ndikati

"Hezvo siyana neni saka waida


ndizvisekerere here? Vangada kufira
chihure chavo shuwa ah kuda kutofa vasati
varohwa nababa Shupikai. Pano
pachakamwa imbwa chete." Akati

"Ndinokurova Melissa uri kiti yemunhu


ndizvo zvinokupa kuti umitiswe izvozvo
nekuda nepamuromo pako pasingamharwi
nenhunzi ,wakuzondibhowa manje."ndikati

"Saka muri rimwero namai vako sei uchida


kutsigira zvisina basa handi dai utori kuside
kwangu but ah ndatoona kuti uri dzetse
hako unotsigira zvisina basa uye utaure
zvaunoziva unotaura zvemimba wakandipa
here mimba yacho nxaa."

Ndichipedza kutaura ndakabva ndanzi


bhutsu mudumbu mangu ndichinoti ngonya
negotsi. Achibva auya pamusoro pangu
kwakutanga kunditsika mwana wevanhu.
Nganditange kuridza mhere ndiripo pasi
ipapo. Mona akanga atsamwa zvekurevesa.
Ndakarohwa ndikapedzisira ndakugomera.
Ndakangoti rabada ndiripo pasi ipapo ,apa
kuzasi kwangu ndakanga ndonzwa kuti pane
chiri kubuda.

Musoro wakange wotenderera like dzungu.


Kuedza kumuka kudai zvairamba. Mumaziso
ndaive ndoona zvinhu zviviri zviviri.
Ndakangodaidzira kuti

"Ndizvo zvawafunga here Mona. Ndakufa


hangu usare ugarike mwana wamai
vangu ,waita hako basa wandizorodza."
Ndakabva ndatoti zii ,zvese zvakasara
zvichiitika andina kuzozviziva.
Ndakazopepuka ndiri muimba yandakanga
ndisingazivi. Ndakatarisa muroom mandaiva
ndikaona ndakarara pamubhedha.
Ndakazoona kuti ndiri muchipatara nekuda
kwa nurse vandakaona vachiuya kwandaiva.

Vachisvika pandaive vakabva vatanga


kunyemwerera , vachibva vati

"Wamuka ,zvawanga woda kurasikirwa


nemwana"

Vakadaro nurse vaya ndikaedza kuda


kusimuka kuti ndigare pasi vakabva vati
ndirambe ndakarara. Ndikati

"Matiiko nurse?"

Ndakadaro neizwi rekuvhiringika vakati


"Wanga wakuda kuita miscarriage une
nhumbu ine month"

Ndakapera simba. Chero simba rekubvunza


handina kuriwana ini ndokungoudyura
meso angu ndakatarisa nurse avo vaiva
busy kunyemwerera zvisina order.
Ndakabatwa nekutya zvakanyanya ndokuti

"Mimba? Kwete kani nurse maresva kuona


andina mimba ini zera rangu rino here
ndiudzei kuti muri kutamba"

Nurse vaya vakakanuka vachibva vagara


pasi. Ndaida kunzwa mhinduro yavo yekuti
vari kunyepa kwete kuti ndine mimba.vakati

"Une makore mangani nhai musikana"


ndikati

"Ndine 15"
Vakabva vatarisa side , inini kuita mimba
haa kana nurse vanonyepa ava. Tonde ainge
akandiudza kuti handisati ndakukwanisa
kutakura mwana. Nurse vakati

"Mwanangu wandishamisa , ndanga


ndichitokutarisira kuma 18 years ikoko. Zera
rako iroro wakutoziva kubatirira murume.
Vana vemazuvano munopa vabereki
stress,kuvauraya nebp chaiko. Uchiri
mwana mudiki zvisingaiti asi chekuita
hapachina wazvitakura iwe. Sei
muchitirwadzisa vana imi tinenge
tichitikushuvirai zvakanaka asi munobva
matipusisa ende wandipedza simba
mwanangu."

Vakapedza kutaura ndakutobudisa misodzi.


Saka kureva kuti tonde aiva akatondimitisa
nhai ,sei ndisina kuzviona nguva ichiripo
kuti ndizvo zvandava izvi. Zvino tonde
wacho achabatika here iye asisina nguva
yekutaura neni. Ndakarwadziwa zvisingaiti.
Moyo wangu ndakanzwa kuti watsemuka.
Ndaigoendepi neka mimba ikaka.

"Now wakuchema zvisina basa asi nguva


yacho wainakirwa uchivhura makumbo 180
kuti inatse kupinda zvakanaka. Mimba iyi
ndiwo mubairo wacho.hupenyu hwacho
uchaona kuti huchakuomera chaizvo.
Uchava nechidzidzo chausingafi
wakanganwa mwanangu. Asi kana uchiziva
muridzi wayo wotoona kuti wamuzivisa
here nekuti ukanyarara ukazomuudza yava
ne two months anogona kuiramba achiti
haisi yangu."

Nurse ava vaiwedzera


kundirwadzisa ,bundu raiva pamoyo pangu
rakanga rakaoma chaiko. Tonde
aizozvitambira here zvenhumbu izvi. Dai
azondinzwisisa hake. Nurse vakaenda
ndikasara ndakarara , apa musoro wakange
wakurwadza. Zvino ndoita seiko? Mimba
ndakanga ndisingaidi zvachose.
Ndaizoibvisa sei manje , hapana kana herb
randaiziva kuti rinobvisa mimba.
Ndakasiyana nazvo ndaizoona zvekuita. Asi
hazvina kuchinja pain yandainzwa.

Pasina nguva ndakaona Mona achiuya


kwandaiva nxa ndakanzwa kusvotwa naye
nekuda kwekundirova kwaakanga akaita.
Akanga oda kundiuraya mhani ndikabva
ndamufuratira , achibva andibata ruoko
ndikabva ndanzwa hasha.

Hasha dzacho dzakanga dzachibatana nedze


kunzwa zvemimba kwandakanga ndaita.
Ndakaita sendichamupa mbama. But ndiye
akanga adiniwo hake ,sandiye akandipa
nhumbu kaah ,ndaive ndanyanya
kufarisa ,kurohwa yekedero but nhasi uno
nyemba dzazvimbira veduwe.
"I'm sorry Melissa hasha ndidzo dzaita
ndikurove , ndiregererewo munin'ina
wangu I'm sorry dzazonyanyawo kundibata
zvekupfurikidza." said Mona ndikati

"Dai wandipedzisa hako" ndakadaro akati

"Kwete kani Melissa ndakanganisa hangu


unoda ndisare nani kana ndikakupedzisa
kwacho" ndikati

"Namai vako vaunoda kaa" akati

"Chero newe ndinokuda Melissa ndenge


ndichizama kukuonesa kuti uzive
zvekutaura" ndikati

"Fokoro ibva pano"

Ndakanga ndagarwa nehasha. Ndakanga


ndatoona pekudzipedzera hangu ,akabudisa
zvimusodzi hameno zvaiva zveshungu here
nxaa ndangoti hanya nani. Paaive akuenda
akabva asheedzwa na nurse achibva
adzoka.ndakanzwa kubhoikana. Ka nurse
ikaka ndainge ndatokamaka fongo.

"Hesi musikana ko uri ani wemwana uyu"


said nurse zvikanzi

"Ndiri sisi vake" ndikati

"Iwe unodirei kunyepa uri next door yangu"

Ndaida kuvhara nurse kuti vasaudza Mona


zve nhumbu. Ka nurse kaya
kakangoshamisika kachibva kapeta maoko
aiko ,Mona achibva ati

"Asi Melissa ndanyanya kukutadzirei


chaizvo inga ndati sorry wani. Ungatsamwa
zvekusvika pakundiramba kuti handisi sisi
vako here? Usadaro munin'ina wangu l love
you nemoyo wangu wese." Said Mona
neface yekusuwa.

"Zvauri benzi nhaiwe sei uchidaro sisi vako.


Unomboziva kuti kunyangwe zvikuomere
sei ndiye anomira newe iyeyu here? Iva
nemoyo une rudo mwanangu. Dzidza kuva
munhu kwaye hongu une nhumbu hako asi
sandizvo zvingakutadzisa kuti uve
nehunhu ,remekedza sisi vako ava
ndatoona kuti ane rudo newe zvisingaiti."

Mona akashamisika paakanzwa zvenhumbu.


Ndakanga ndachipusa zvino ,ndakatuka ka
nurse neche mumoyo mangu. Ndaisada kuti
vanhu vekumba vasaziva kuti ndine nhumbu
mhani. Ndaida kuzoibvisa chinyararire.
Zvino ka nurse aka kaiva katofugura hapwa.
Ndakada kumbokatukira kuonda kwakakaita
but ndakazvidzora.
"Nurse muri kurevesa here kuti ane
nhumbu?" Akadaro Mona zvikanzi

" Ehe yave ne 1 month,ropa ranga richibuda


riya inhumbu yanga yakuda kubva"

Mona akabva avhura maziso kuita


seachatosvorwa. Vakanga vakungotaurawo
havo nyaya yacho asi ndainge
ndatodhinhiwa ini. Ndakaona Mona achiita
sekuti ane zvaanoda kutaura but haana
kukwanisa kutaura nekuti nurse vaivapo.
Ndakabva ndatonzi ndibude ndiende hangu
sezvo vakanga vatopedza neni. Ndakabuda
na Mona uya tichibva taenda. Handizivi kuti
ndakanga ndaunziwa neyi pachipatara apa.
Andina kuwana nguva yekubvunza izvozvo
sezvo ndaiva nezvinondinetsa mupfungwa
dzangu.

Takaita nguva takanyararidzana pasina


ataura neumwe. Taifamba tichisesedzana cz
ini ndaitonzwa mbabvu dzangu kurwadza.
Ndakaziva kuti kurohwa kwandakanga
ndaitwa. Mwana uyu aiva agarwa nezi tete
rake rakafa kare cz Mona haasimboiti hasha
dzakadaro.

Takati tafamba chinhambwe , Mona achibva


ati

"Wandiregerera here Melissa" said Mona


neka voice kainzwisa tsitsi. Ndikati "Ehe"
ndichibva ndanyarara akati "thank you,l
love you mwana wamai vangu" handina
kudaira ndokuramba zvangu ndiri zii.
Ndaitonzwa zvangu zigodo raiva pahuro
pangu. Raiva rekurwadziwa kuti tonde
ndomuwanepi.

Takasvika kumba ndikananga kunovata


chaiko. Mona akaenda kunobika,achipedza
akandivigira chikafu but ndakachiramba. Ko
raimedzeka here sadza racho negodo raiva
pahuro pangu. Ndaive neshungu dzekuda
kusangane na tonde ndimuudze zviripo.
Kunze kwakasviba tikabva tarara. Hope
dzacho hadzina kumbobvira dzandibata.
Pakanga pasingarariki nendangariro
dzandaiva nadzo. Kunze kwakaita
sekuchaedza ndakangosvinura.

Ndakazorarawo nguva diki diki kuchibva


kwaedza. Mona akaita basa rese
ndakangorara. Achipedza akabva ati tiende
kuchipatara. Takaenda tikasvika tikabva
tananga kuroom yaiva namama. Takavaona
asi pakanga pasina change. Nurse vakangoti
hameno kuti vanopona here? Takabuda
tikadzokera kumba. Tichifamba kudaro
takabva tasangana neimwe mota ichibva
yamira. Mona kuona kwaakaita munhu
wacho aiva mumota akabva aita ku
screamer achifara. Vairatidza kuti vaizivana.
Ndakabva ndatoenda kumba ndikasiya
vaviri ava.
Ndainge ndongozvidya pfungwa. Pese
pandinenge ndiri ndinenge ndichingofunga
nezve kamimba kandakatakura. Handizivi
kuti ndaizoita sei nako kamimba kacho. Asi
ini kana kumboita hanya nazvo
pandakajamba mwedzi ,ndaingoti
kungojambawo ini izvo mudumbu makange
matova neka mwana ka tonde.

Ndakaridza tsamwa yakavhundusa huku


dzichibva dzatiza dzichifunga kuti zvimwe
paita gondo. Mona akazouya ndigere hangu
pabvute achibva ati

"Melissa usazvidya pfungwa hapana


chichanja ndizvo zvatovapo. I think
mashoko angu uri kumarangarira andaigara
ndichikuudza pamwe nekukutsiura. Zvino
tonde wako uyoyo unomuwanepi apa
kumba kwake haukuzivi. Asi wandirwadzisa
hako Melissa. Zvimwe zvacho hazvidi
kufungirwa zvinongoda kushandisawo brain
dzako. Ndaigara ndichitaura pano but
ndaitaura ndega hangu ndisingazivi kuti
munhu andiri kuudza ari kuisa zvitanda
munzeve. Anyway azvichina basa hazvo."

Ndainge ndochema semucheche Mona


achitaura kudaro. Akaedza kundidzikamisa
asi zvaitowedzera kuti ndicheme. Ndakanga
ndatoonda nezuva rimwe iroro. Zvakaoma
veduwe ndakanga ndisisina rugare.
Pfungwa dzangu dzaifungisisa chaizvo.
Bonde rinonaka asi kana pangova neka
mimba unonzwa kurivenga chaiko. Chero
kuona munhurume chaiko unogona
kumuvenga nekuda kwekumitiswa
kwaunenge waitwa.

Ndakambosiya kufunga ndikatora bucket


ndikanogeza. Manheru acho ndakanga
ndarara ndisina kugeza. Ndakangogezawo
zvekubvisa ka mweya ndikabva ndaenda
kunorara. Kugara ndega kwayiita kuti
ndifunge zvakawanda , ndikabva ndamuka
ndikaenda ku kitchen ndikawana mune rice.
Ndakapakura ndikabva ndadya. Handina
kudya zvinoenda kure ndakangodya ma
spoon maviri chete ndikabva ndatosiya.

Ndakazoti rimwe zuva ndichizvifambira


hangu. Ndokuti dhuma dhuma neimwe
handsome yaive yakamira pamota. Zviya
zvekuti kwai ukaona munhu rume unonzwa
kumuvenga haiwa ndezve kunyepa.
Ndakamedzera mate ndakamutarisa kudaro.
Ndakafamba hangu zvishoma shoma
ndichidarika nepaaive.ndakanzwa
kunhuhwirira kuratidza kuti munhu wemari.
Kuzoti mota yacho uhm raiva bango remota
zvaro. Pandainge ndoda kumupfuura akati

"Muriseiko sisi ,hanziiko kudarika musina


kumhoresa vamwe"
Akadaro mukomana uya. Stress yekufunga
tonde yakabva yabuda mumusoro mangu
nguva iyoyo. Voice racho rainakidza kunzwa
kani. Ndikati

"Sorry zvenyu ,makadii henyu"

Ndakadaro ndakamuti ndee mumaziso


chaimo. Aive akagerwa zvakanaka chaizvo.
Chiona smart imiwe andichatauri hangu.
Ndakanzwa kumuda kunyangwe asina
kundinyenga hake. Zvikanzi

"Ah ungabva wandiona semunhu mukuru


nhai musikana. Ndiri right zvangu seiwo
iwe" ndikati

"Ndinofara hangu"

Ndakadaro ndakapfavira. Iye wacho aiva


busy kubaya foni. Aiti akanditarisa obva
atarisa pafoni yake obva anyemwerera futi.
zvikanzi

"Uri kuendepi ndikuperekedze" ndikati

"Handisi kuenda kure ,regai ndiende"

Ndakadaro ndakutofuratira,apa kana


kundikumbira hake number ndakasvotwa
chaiko. Ndisati ndasvika kure ainge
anditevera zvikanzi

"Pane chiri kunetsa here?" Ndikati

"No ,why wabvuza" akati

"Uri kuita semunhu asiri kunzwa zvakanaka.


Une zviri kunetsa here kana
wakasununguka ndiudze zvako ndinogona
kukubatsira."ndikati

"Mimba......."
Ndakabata muromo wangu ndaona kuti
zvandiri kuda kuudza munhu uyu hazviiti.
Iye andakanga ndangoonawo ndobva
ndatomufugurira hapwa ,akaratidza
kuvhunduka akati

"Wati chii? Ko mimba yaita sei?"

Ndakapera simba ndikabva ndazongoseka


seka nhando ndichivhara ma1. Ndainge
ndaratidza kupusa ipapa. Apa moyo waida
mukomana iyeyu ,Asizve waigondida sei
neka mimba kangu. Ndakaridza katsamwa
kainzikwa neni chete. Mukomana uya
akabva ati ndakuenda achibva atoenda.
Ndakakasara ndakayeva mota yake.

Ndichibva hangu ndatanga kufamba,asi


kwandainanga chaiko ndanga ndisingakuzivi.
Ndaingofamba chete ndichienda , ndakabva
ndafunga kuisira baba Shupikai message.
Ivo kana kuda kumbouya zvavo. Ndaida
vauye vazvionere mashura anoita mukadzi
wavo. Angada kuzvisungirira nekuda
kwekuhura. Pandakapedza kuisa message
havana kunonoka kupindura nofunga foni
yacho yakanga yagara iri mumaoko.
Pandakavhura message kunodai , haibo
ndakaudyura meso angu ndiri ndega kudaro.
Yakandipedza simba munongonzwa imi.

*KIMBERLY*

Mazuva akafamba ndichiswera zvangu


pamba. Ndainge ndamirira kuti mwedzi
upere ndione kuti mimba yakabata here?
Ndaingonamata kuti ibate. Mama havana
kuzofunga zvekundizemena zviya. Havana
kuzokwanisa kudaro sezvo vakanga vaenda
kurufu rwemwana wasisi vangu uyo
akangofa zvisinganzwisisiki. Vakaenda vose
nadad ndikasara nemusikana webasa.

Dudu haana kuda kumbondifonera achiti


huya kumba kwangu. Ndakabva ndatofunga
kuendako. Ndaiziva kuti ndikaendako
handimbomushayi semunhu asingafariri
zvekufamba famba anenge angoripo pamba
pake. Nezvandaifunga zvacho ndaibudirira
chete ini. Dudu ndakanga ndafunga
kumupfuudza chaiko. Ndiye munhu
ainditemesa musoro chete. Munhu rudzii
anoda kunyepa kundingwarira nhema.

Ndakasimuka ndikaenda kunogeza.


Ndichipedza kugeza ndakapfeka zviri smart
ndikabva ndapinda mu bedroom ma mom.
Ndakatsvaga mushonga wavanosishandisa
kuuraya mapete nemakonzo. Ndakauona
ndikabva ndaisa pa plastic ndokusunga
zvangu ndikaisa homwe ye jean skirt
randakanga ndakapfeka. Ndini ndaiziva
zvandainozoita nawo kana ndasvika kumba
kwake.ndichibuda mu bedroom ma mama
ndakaenda kunotora chi handbag changu.

"Lisa iwe ,ndichambobuda zvauriwe


ungazotonditsvaga."

Ndakadaro ndichimuoneka akati

"Watotanga kunzerereka mama vakasiya


vati chii?" Ndikati

"Iwe ziva zvekushanda uko hauna kuuya


kundirindira pano kuda kuona kwese
kwandaenda." Akati

"Handina zera newe Kimbi kuva mushandi


pano zvingakupa kuti utaure zvaunoda here?
Ndiri kuda kuziva kwauri kuenda cz Mai
vako vakati ndisakusiya uchingobuda gate."
Ndikati
"Undikwanire semari yebhazi ndizvo
zvinokupa kuti usaroorwa izvozvo wakapusa
mhani."

Ndakadaro ndichienda ,aitoda


kundinyaudza zvake. Aiva munhu mukuru
kwandiri but handinei nazvo izvozvo.
Munhu ngazive zvakafambira kwete kuda
kuswera achindifudza sembudzi.

Ndakaenda kunokwira mota ndichinyunyuta


ndega. Ndisati ndasvika kure , ndakaona
munhu andakafananidzira na Taps. Aiva
akandifuratira so andina kunatsa kuona
zvakanaka. Ndakazoona akamira nechimwe
chisikana.ndakafamba kuenda
kwavaiva ,paakatarisa side ndipo
pandakaona kuti ndi tapiwa zvechokwadi.

Vakatanga kufamba vachinanaidzana.


Handina kuda kuita basa nazvo nguva iyoyo
asi ndakazonzwa godo ndichiona
vachimbundirana ,vapedza kudaro
kamusikana kaya kachibva kapa Taps tsvodi.

Na Tapiwa tainge tane mazuva tisingatauri


tese. Aiti akandiisira message ndaibva nda
ignore. Ma calls ake ndisingadaviri.so
akazonetawo achibva asiyana nazvo.

Ndakanzwa kuda kunetsana nekamusikana


ikako ndikafamba kuenda kwaaiva. Tapiwa
akabva andiona but haana kuratidza
kuvhunduka. Ndichibva ndati

"Nhai tapiwa ndian uyu?" Ndakadaro


ndichibvunza zvehasha zviya. Kamusikana
kacho kakanga kakanaka handidi kunyepa.
Ndingaita hangu godo asi akanga
akandidarika kunaka. Uye kaiva kamu
slender. Tapiwa akabva ati "kufunga kwako
unoti ndian wangu nhai Kim" akadaro achi
smiler achibva ambundira kamusikana kaya.
Iko kakabva kanatsa kubatirira taps
ndikanzwa hasha ndichibva ndati "saka uri
kundi cheater tapiwa" ndakadaro
ndisingachagoni kunatsa kutaura neka godo
kandainzwa. Akabva aseka achibata
muchiuno make ne one hand rumwe
rwakabata babe ruoko. Akati "usada
kundinzwa mwana iwe ndakakanganwa
nezvako kare uyu ndiye ava pamoyo wangu
kwete iwewe Kim waindiitisa hako
ndikazonetawo newe ikozvino ndakawana
anondida."

Kamusikana kacho kakatanga


kunyemwerera ndikabva ndasimudza ruoko
rwangu kuda bc kukapa mbama , tapiwa
akabva abata ruoko rwangu. Kamusikana
kacho kachibva kati

"Musiye kani babe , rega aite zvaari kuda


kuita zvacho" kakadaro kachibvisa taps
ruoko rwake paaive andibata ,chero hasha
dzacho dzakabva dzapera ndikati
"ndinokurova ukasimba" ndakadaro
ndakupedzera hasha dzangu pakupopota
kachibva kaseka ndokuti "iwe wakasimba
wakapiweiko , mune manyawi sisi dhori
makadadira mukomana asi nhasi uno
makumuchemera ,rega ndimupe zvangu
rudo"

Akabva atanga kuseka ndikabva ndapusa.


Chokwadi ndini ndakadadira tapiwa
achindida nemoyo wese. Asi nhasi uno
ndakunzwa godo nekuti ane mumwe
musikana. Tapiwa akabva ati

"Hande babe zvemhepo dzenyamavhuvhu


dzisingadi kupfuura handizvidi ini" ndikati

"Haiwawo kumba kusina vanhu , ungada


kutondidadira nekamunhu kaunoti
uchikwira unobaiwa nemabhonzo aiko nxaa
fambai muyende." Zvikanzi
"Ndinokutuka ukanozvisungirira iwe ,
ungada kushamisira nekusimba chaiko
uchafamba uchinhuhwa"

Vakabva vaenda,ini ndakabva


ndatokwirawo tax ndikaenda kumba kwa
Dudu. Ndichisvika ndakamuona achiona tv.
Akabva ashamisika achindiona sezvo akanga
asina kutarisira kundiona. Zvikanzi

"Kwavava kaa ukati rega ndiende kwa


Dudu" akadaro Dudu achiseka ndikabva
ndasekawo asi kwaiva kusekera kuvhara
ma1. Ndaive ndamuvenga zvangu mwana
iyeyu. Akati "Manje nhasi ndinokusiya
kwakurwadza" said Dudu ndikati "ndinoda
kusiyawo yako yakurwadza." Akabva aseka
akati

"Saka urisei? Ndikati "ndiri right ini"


ndakadaro ndichigara pasofa. Ndaisada
kuitira munhu wangu dzungu. Takamboona
tv tese achibva aenda kunogeza. Paakaenda
kunogeza ini ndakabva ndaenda ku
bedroom kwake. Ndichibva ndabvisa hembe
dzese dzikarara pabed pake. Ndaida
kumuita zvinorova mwana wevanhu.

Ndaka maker shuwa kuti kabepa kangu


kemushonga hakana kurasika. Ndaive
ndamirira kuuya kwa Dudu ndokumbotarisa
zvangu ka camera ndichinzwa kusvotwa.
Kaindishaisa mufaro ka camera ikako.

Akapedza kugeza achibva ashamisika


kundiona ndakarara pabed pake akati
"nhasi kwakanaka here Kimbi" ndikati
"kwaida kushatei Dudu , ndanga
ndakusuwa" ndakadaro achibva
asekerera ,dai aiziva zvaiva mupfungwa
dzangu kaa , achibva ati "nhasi uri
kundivhundusa kaa munhu wepi kundivinga
wega apa ndiri kuona futi kuti wava ready
asi yangu inonaka kani?" Akadaro Dudu
ndikati "inondigutsa Dudu plus basa racho
unorigona hako."

Zvese zvandaitaura zvaingova zvekuti


ndimufadze asandifungira zvakawanda.
Achipedza kuzora mafuta ndakabva
ndamudhonzera pabed ndikatanga
kumukisa. Takakisana ndichibata Dudu
wake iye achibata magadziko angu. Pasina
nguva junior wake aive atotsamwa ini
honeypot yangu yakubudawo masisiri
ndichinzwa kuti pano ndakutoda.
Takawisirana pasi ndikabva ndaenda
pamusoro pake ndikapfekera junior wake
mandiri.

Haa ndakabva ndabuda shavi kwakumuita


zvinogara zvakadaro. Dudu aingodaidzira
zita rangu achiti unondiuraya Kimbi ,ini
ndichiti mira ndikupedzere. Haiwa
takazopedza kuita basa Dudu akuchema
chema. Ndakabuda ziya rekubata
basa ,ndakamborarawo zvishoma
ndichizorora ndikabva ndazomuka. Dudu
achibva azoti

"Kimbi , waida kundiuraya shamwari nhasi


wauya wakandirongera chaiko" ndakabva
ndaseka ndikati "kuuraya kuita seiko?" Akati
"wandinakira nhasi Kimbi yooh nhasi waisei
kuzasi kwako wakapenga shaa wandipedza
simba." Ndikati "ndanga ndakusuwawo sha
ndokusaka ndauya kuno ko hausi kuda
rimwe round here?" Ndakadaro ndichitaura
zvakanaka hangu. Akadzungudza musoro
achiti ngatimbomira zvishoma. Ndikati

"Haudi kubikirwa here?" Akati "ndinoda


Kimbi kubva kuseni andina chandadya shaa
kunzwa husimbe hwekubika" ndikati
"unodii kunotenga" akati "chekutanga
hachindinakiri" ndikati "okay rega
ndinokubikira"
Ndakabva ndapfeka hembe dzangu
ndikaenda ku kitchen. Ndaka checker ka
plastic kaya ndikaona karimo muhomwe.
Ndakasekerera hangu Dudu uyu ndaive
ndotoona ave chando hake. Kufunga kwake
aiti ndauya nemoyo wese here? Ndakabika
rice ndikabva ndaisa nyama paimwe plate.
Ndakabva ndambodzokera hangu ku
bedroom kwa Dudu ndikaona akutobatwa
nehope ndikasiya zvakadaro.

Aive adhakwa nebonde ndikanopedzisa


kubika. Ndakatora ka plastic kangu
ndikasasa mushonga mu rice nemu nyama
yacho. Zvikabva zvakwatirana zvakadaro
apa ndaive ndawanza sei aah kuita
kuramwira. Ndakapedza kubika ndikadzima
stove ndikanoudza Dudu kuti ndapedza
kubika akati
"Waita basa ndichadya time time. Ndiyo
food yandichatodya nemanheru kubika
kunondimara" akadaro ndikati "okay saka
haudi rimwe round rekuonekana here?"
Ndakadaro achibva ati "kuonekana
uchiendepi?" Ndikati "kumba kaa waida
ndiswere pano here?" Ndakadaro hangu ,
ndaida sex yekuonekana achienda
kusingadzokwi akati "now ndiri bho ini , but
nhasi uri kundishamisa Kimbi kubva
zvawasvika pano uri kundiitira munhu
kwaye" akadaro Dudu cz anga ajaira kuti
nguva yega yega tenge tichingomarana
ndikati "saka waida kuti titukane here Dudu
ndakatozvitambira ini kuti ndizvo zviripo
ndinotya kaa kuti kana ndikasaita zvaunoda
unopa vanhu video so rega ndiite zvaunoda
Dudu cz zvehondo newe handichadi."akati

"Okay Kimbi ndanzwa. Rega ndimborara


wandidhakisa shaa kana ndamuka pano
ndobva ndadya food waita basa
wandibikira." Ndikati "okay Dudu rega
ndiende kumba ndozokuona" akati " okay
babe" ndakabva ndabuda mumba make
ndikaenda.

Neche mumoyo mangu ndaingoti iwewe


wafa chete iwewe kupi kwacho
kwauchandiona. Hameno aizoonekwa nani
kana afa , ayiworera mumba make imomo
nxaa anga akunditambudza mhani uyu.
Ndaive ndatopedza naye Soo. Chainge
chasara kuona kuti nhumbu yabata here
ndirorwe zvangu na Rea. Pasina
anozovhiringa cz aizovhiringa wacho ndiye
Dudu iyeyu andakanga ndaisira poison.

Ndakakwidzwa mota nevamwe baba vaibva


ku church. Apa vaingotaura zveku church
kwavo ndikabhoikana nazvo.
Ndakazoburuka ndadhinhiwa ndikavapa
mari yavo vakairamba. Ndakabva
ndatoenda zvangu kumba.
Mazuva akafamba mom nadad vakabva
vazouya kubva kunhamo. Ndainge ndane
mazuva ndisina kuona Rea ,ndakazoti rimwe
zuva ndapedza kudya ndoku.........

*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:49] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/KjjCZtBEke866X
Us7S9QI6
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*Chapter 27*
*DELIVERANCE*

Nhamo neman'a hazvisiyani chokwadi.


Ndainge ndati ndagona kuenda kubasa izvo
bodo ndakange ndisina. Kuenda
kunozvikanda mumukanwa weshumba
ndiko kwandakange ndaita ,Asi nekuda kwa
Mwari zvakabva zvaenda nepamwe.
Nherera haina rugare pasi pezuva. Nguva
zhinji ndeye kuchema , kufara kwe nherera
inguva diki diki. Hupenyu hwakaoma
veduwe,tinoyemura zvedu zvinhu zvevanhu
asi hatizive kuti vakazviwana sei. Zvimwe
ndezve meso muromo zvinyarare.
Rea achingobuda kuenda gogo vakasara
vachindibvunza kuti "zvaunenge wauya ne
bag kwakanaka here?" vakadaro gogo vatori
nekakuvhiringika ndikabva ndati "hakuna
kunaka gogo" ndichibva ndavatsanangurira
zvose zvakaitika ,ende vakaratidza
kuvhunduka chaiko. "Tora zvihwashu
zvangu ndipfeke. Ndoda undiperekedze
pamba ipapo." Ndakavhunduka gogo
vachidaro. Ndikati "gogo ,ndichiri kukudai
zvemusindo nevanhu vasingatyi Mwari
siyanai nazvo. Ngatingotenda Mwari kuti
ndiri mupenyu gogo , kutaura kudai dai
ropa rangu rakutopiwa Peti asi ndinotenda
kuti ndakakwanisa kutiza Rea akazokasika
kundiona pandakanga ndadonha gogo."

Ndakadaro gogo vachibva vagara pasi cz


vainge vatosimuka kuda kunotora bhutsu
dzavo. Machumawo futi haadi zvisina
basa ,"pamba pacho hauna kubvunza kuti
panonzi paani here?" Vakadaro gogo ndikati
"handina ini" ndakadaro ndichitora
mbambaira ndikatanga kudya. "Baba vako
vamuka vachindifonera vakati vari kuuya
kuno nhasi pamwe manje manje vanosvika"
ndakavhunduka kuti baba vangu kuuya
kundiona vaive vanzwa nani kuti ndiri
kwagogo . Ndikati "vaziva sei kuti ndiko
kwandiri kuno" vakati "Ati akaudzwa
nemukadzi uya akakuunza kuno" ndakabva
ndaziva kuti ndimai tafara vakaudza baba.
Zvisinei ndakabva ndafara hangu cz ndaive
ndatovasuwa zvisingaiti. Ndakapedza kudya
mbambaira ndikabva ndaratidza gogo
maronda andakanga ndinawo vachibva
varatidza kurwadziwa.

"Zvawainge wondifira muzukuru,ugoona


ndakada kutombokurambidza kuenda
kubasa ikoko asi ndakati regai ndisiye
muzukuru wangu aitewo zvaanoda" said
gogo ndikati "hapana aiziva kuti kumberi
kwakashata gogo plus shungu ndidzo dzaiita
kuti ndide zvekushanda kuti ndiitewo
zvinhu zvangu gogo ikozvino handichadi
kunzwa zvebasa haiwa ngandife hangu
nenhamo yangu. Apa mugoona Rea ainge
andirambidzawo achiti anondiitira zvose
zvandinoda asi ndakabva ndafunga kuti
mangwani mangwani kupiwa mari
nemukomana hakuiti gogo ndainge
ndaresva here?" ndakadaro zvikanzi

"Panga pasina chakashata Deri ingadai


wakangoita zvakataura mumwe wako
anenge achitokutyira kana kuti kutya
kutorerwa" vakadaro gogo ndikati "saka ane
ruchengera" vakabva vaseka vakati
"ruchengera ndirwo rudo kaa,
uchitombowana hako anokuda nemoyo
wese wototenda musiki kune ari kutoshaya
rudo rwauri kupiwa iwewe ari
kutoruchemera asi ari kushaya ane rudo
wacho."ndakatoona kuti nyaya dzangu
nagogo hadziperi ndichibva ndaenda
kunoisa beans pa stove sezvo zuva rakange
rovira.

Ndakabva ndaenda kunogeza zvangu


kubathroom. Ndichigeza kudaro ndakabva
ndafunga rudo rwandaipiwa na Rea ndiri
kumba kwake. Veduwe handidi kunyepa
Rea anondida zvandinoona ndega. Mwana
ane rudo iyeye mhani. Asi pane pandisina
kunzwisisa pandakazongoona ndatova
nedzimwe hembe ,ipapo handina kuona
zvakaitika ini ndaitovhiringika kutadza
kuziva kuti ndapfekedzwa nani. Haa
ndakasiyana nazvo ini kwakuenderera
mberi nekugeza hangu. Ndapedza
ndakaenda kuroom kwangu kunozora
mafuta nekuchinja hembe.

Pasina nguva takanzwa kutinhira kwemota


yaiva kugedhe. Ndakambofunga kuti ndi
Rea asi chakandinetsa aive adzokerei?
Ndakabuda mumba ndichibva ndananga
kugedhe kwacho ,ndakafara ndichiona vari
baba vaitoburitsa zvinhu mumota. Kuona
kwandakavaita ndakamhanya ndikasvika
nekuvajambira. Ivo kungondionawo
kwavakandiita vakabva vandisimudza
mudenga vakatanga kutenderera neni.
Veduwe ndakafara kani vachibva
vandidzurusa pasi vakandiisa mumapapiro
avo vachipuruzira musana wangu.

"Delly mwanangu wainge wondishaisa hope


ndichifunga kuti uripi?" vakadaro vachingo
nyemwerera. ndikati "ndiri kuno baba
munofara here?" vakati "ndinofara kani
dangwe rangu , mufaro wandinawo
hautsananguriki ,ngatisimudze zvinhu izvi
tiendese mumba." Takabva tasimudza
grocery tichiendesa mumba. Takapedza
kutakura zvese tichibva tagara
mumba ,gogo nababa vakabva
vamhoresana asi Machuma wacho
aitoratidza kuti ane zvekutaura zvakawanda.
Ini ndakanga ndatoti kwati kwati nababa.
Vakapedza kubvunzana mufaro
vakambotaura dzimwe nyaya ,gogo ndipo
pavakazoti "baba Deri wakanditsamwisa
zvakanyanya , waimboongororawo mwana
wako here uchiona kuti akagara sei?"
vakadaro gogo vasiri kunyenama. Baba
vakabva vakwenya musoro wavo vakati
"kutaura chokwadi ndaisambozvitarisa
mama ndaingoti agere mushe ,kudzikira
chete kwaaita ndiko kwaitondinetsa kuti
chii sezvo chikafu ndaitenga zvose
nezvaanofarira." Vakadaro baba ,gogo
vakati

"Mwana kuuya kuno aine mavara seshato.


Dai kusiri kuti akatiza kumusha uko achiti
ndiendewo kubasa ingadai wakaona mwana
rava guva. Rakambodiiko zigadzi rako iroro
risina moyo wekubara. Ibenzi remukadzi
anenge anotoroya chete. Muchiroora zviya
onai vanhu vekuroora , mukadzi kwaye
anoda zveimba kwete joki."

Va Machuma vakavava kani munongonzwa


imi. Baba vakanga vaita kupusa
vachiudzirirwa mashoko. "Sorry Mama
ndakatadza hangu iye mukadzi wangu kana
ndiripo zviya aitoita seanoda mwana wangu
ndisingazivi kuti ndiri kubatwa nekuseri.
Delly wacho haana kumbobvira ada
kundiudza nezvazvo." gogo vakati "waida
ataure kut chii? waigona kuzoti anonyepa
nekuti iwewe unenge uchida mukadzi wavo
sakei ainyarara achikuvaraira mumoyo.
wasvika zvangu zviri kure ndaida kukurova
chaiko kuti umuke. Ndakarwadziwa fun
kuona muzukuru wangu asingatarisiki. Kuti
nditi aidya sadza haiwa bodo ainyimwa
chikafu uyu. Iko kuonda hako aita
seachatorwa nemhepo,tarira zvaaveri
izvozvi hauchaoni kuti akuratidzika kuva
munhu kwaye chero zvikomana
zvakutomanyirawo manje manje unenge
watova nemukwasha."

Takabva taseka ,gogo vanotaura zvavanoda


veduwe , mbabvu dzangu dzakarwadza
nekuseka chero baba vakaseka vakati
"ndanzwa mama makagona kugara
nemuzukuru andichinjira Delly uyu."
Vakadaro baba "ehe anotadza kuchinja neyi
achidya achiguta. Ndaigara ndakakuti ndipe
mwana uchiramba naye. Ikozvino hakuna
kwanoenda anogara pano kana wafunga
kumuona unouya pano , ndatopedza newe
baba Deri. Ndinoti waita basa negirosari."
Vakadaro gogo vachienda ku kitchen
ndikasara nababa. zvikanzi "gogo vako
vanopopota Delly , ndakaisirwa message na
Melissa achiti pane vanhu vaironga kuda
kukuuraya zvino ndaida kuendako asi
ndakazotadza nebasa rakanga rakandisunga.
Ndakuda kuti vabve pamba pangu nditange
zvitsva. Akandibhowa Celia kubata mwana
wangu sembwa." ndikati

"Moda vaindepi? vakati "handichade


nezvake mwanangu ndichatsvaga vamwe
mama vanenge vachikubata semwana
wavo" ndikati "handichadi vamwe mama
ini" baba vakaseka vachibata musoro wangu
vakati "Saka unoda ndiite sei Delly
ndinodawo mukadzi" ndakabva ndanyara
veduwe. Gogo vakazouya nembambaira
vakapa baba vachibva vadya. Vakapedza
kudya vakati "ini ndakuonai mama regai
ndidzokere kubasa ndatoita zvekukumbira
kuti ndiuye kuno" vakadaro baba zvikanzi
"zvakanaka baba Deri ufambe zvakanaka."
baba vakati "zvakanaka mama" takabva
tasimuka kuvaperekedza kumota ndikati
"mota ndeyani?" vakati "ndeye kubasa
mwanangu" vakabva vabudisa mari
vakanditambidza. zvikanzi "imwe wopa
gogo imwe woshandisa handiti" ndikati
"maita basa baba" vakabva vakandipa kiss
pamhanza pangu ndokundimbundira
tikabhaibhisana vachibva vaenda.

Ndakava nemufaro usingaiti veduwe.


Ndakazopa gogo mari yavo vachibva
vatenda. Ndakaenda ku kitchen kunogadzira
beans,gogo vakauya ku kitchen vakati
"nhasi ndiri kudzida nezvima veg enda
unotora mari mumba mangu umo unotenga
maveg pamusika." Ndakanotora mari yangu
ndikabuda kuenda kumusika kwacho.
Ndichifamba ndakabva ndabatwa ruoko
rwangu ,pandakati nditarise munhu wacho
ndakabva ndakatya ndichiona ari
mukomana andakarova uya day randaenda
kunotsvaga basa. Imiwee ndakashaiwa
zvekuita ndikatuzura ndakamutarisa.akati
"waiti wakangwara handiti" akadaro
ndikatanga kuruma nzara.
"Kana uchida kuti ndisakurove ndipe
number dzako" ndikati "sorry mukoma
ndakatadza" ndakadaro ndichinzwisa tsitsi
akati "handisi kuda sorry yako ini ndiri kuda
kudanana newe shaa" ndakadzungudza
musoro wangu ndichiti hazviiti. Akaedza
kukumbira number dzangu nepose
paanogona napo but ndakamunyima. "Okay
kana usingadi ne number dzako haisi
nyaya ,chirega ndikuite zvandinogona handi
wakandirova uchizvitemba" ndakapfugama
pasi ndakabatwa ruoko kudaro ndikabva
ndakumbira ruregerero. Pakabva pasvika
vamwe vakomana vaviri ndikaziva kuti
ndevamwe vake ,umwe wacho akabva ati

"Uri kuitei baby rakanaka kudai" akati


"mwana akandirova uyu pazere vanhu
ndikasekwa sebenzi ndaida kutochirova
ipapa" vamwe vacho vakabva vaseka
vachirovanisa maoko zvikanzi "usadaro
mhani taura nemwana zvakanaka" zvikanzi
"ndiri kuzama kutaura naye zvakanaka kuti
andipewo number dzake asi haasi kuda
nadzo" zvikanzi "haugoni ku softer baby
unodhuva hasha."

"Chindisiya ndiende inga ndati sorry


wani ,ndakamirirwa nagogo kumba"
ndakadaro ndichizama kubvisa ruoko
rwangu asi haruna kubva.zvikanzi "inzwa ka
voice kacho ini yangu yabva yamira sha"
vakabva vatanga kuseka ini ndainge
ndonyara ndichishaiwa kwekutarisa. Dai
ndaiva padhuze ndaidaidzira gogo zvino
ndainge ndatova kure zvikanzi "tarisa
zvimaziso zvacho nema dimples, mwana ari
kufutisa mabhurugwa edu uyu ,but bro
chisiya mwana ayende mhani handi ati
akamirirwa kumba uko anozotukwa"
zvikanzi " moyo wangu uri kurwadza kusiya
achienda shaa , babe shaa ndidewo ,l love
you." Ndikati "ndinaye mukomana wangu"
akati "andina basa nazvo mukomana wako
andinei naye ndiri kuda iwewe"

Ndakabva ndanyarara ndainge ndobhoikana


akati "ngandikuperekedze kwauri kuenda
kwacho" ndakaramba kufamba naye
achibva ati "Saka unoswera pano" ndakabva
ndangobvuma kwacho. Apa aifamba
akandibata ruoko rwangu kunga ndiri
musikana wake. Kuri kuti Rea akandiona
ndakanzwaro angafara nazvo here kana kuti
anotofungira kuti ndinodanana naye ipo
pasina iripo.

Takasvika pamusika ndikatenga murivo


ndikadzokera ndakangobatwa ruoko
achizama kuda kutaura neni nyaya but
ndaimunyararira , akazondisiya
ndakutosvika pagedhe achibva amhanya
kuenda achikwiridzira mabhurugwa. Iko
kupfeka kwacho kwaitondimara. Munhu
anopfeka mabhurukwa hobho ndotoshaya
kuti ndiko kudii.

Ndakapinda mumba ndikachekera maveg


ndikamabika. Beans dzakanga dzatoita
ndikabva ndatobika sadza racho. Paraive
rokwata foni yangu yakabva ya ringer.
Ndakamhanya kunoitora ndikaona ari Rea
aifona ndikabva ndadaira
ndichinyemwerera.

"Daddy" I said akati

"Babe wangu waswera bho here? Ini


kukufunga chete" ndakabva ndaseka ndikati

"Wanga wandisuwa nguvai Rea?" Akati

"Ah babe pandinongofuratira paya


ndinobva ndatokusuwa. Huya
undigezesewo babe" ndakabva ndavhara
kumeso kuri kunyara kuita sekuti aripo
ndikati

"Ah haunyari here" ndakadaro ndichiseka


akati

"Ndinganyara mukadzi wangu here babe,l


love you babe uri pahana pangu" ndikati

"Love you too dady uri mumwongo mangu"


akabva aputika nekuseka zvikanzi

"Uri fun babe , thank you Mamoyo wangu"


ndikati

"Okay Samaita ,ndakuda kubika" zvikanzi

"Okay babe mangwana ndiri kuuya


kukutora kune kwandinoda kuzoinda newe"

Ndakabva ndati "okay" achibva akata foni.


Ndakatanga kunyemwerera ndakaisa foni
yangu pachest "umwe zvachapenga nhai"
vakadaro gogo vachiseka ndikabva
ndasekawo ndikati "ndadii gogo" vakati
"nyemwerero yacho yakashata wena ,
ndianiko Samaita."

Gogo vanoda zvinhu wena. Ndakangoseka


ndikaenda kunobika. Ndichipedza
ndakapakura tikabva tadya.
Takambotandara ndikabva ndazoenda
kunorara. Pakunorara apa ndakatya kurara
ndega.ndakaenda kuroom kwagogo ndikati
"gogo ndiri kurara nemi nhasi" vakati
"kwaitei?" Ndikati "ndichiri kutya gogo"
vakabva vatoti tipfugame tikabva tanamata.
Kuneta kuya nekushaiwa mashoko
ekunamata handina kumbozvinzwa.
Ndakanamata zvakanaka tikabva tarara.

*DUDU*
Kamuitiro ka kimbi kakandivhundusa
zvisingaiti. Munhu wepi kundiitira munhu
kwaye kana kumboda zvehondo neni
sezvatinosiita zviya ,aive akatodzikama hake.
Pakuzondivinga ega ndisina kumufonera
kuti auye pakandinetsa ipapo kuti
kwakanaka here.ndakazongoti zvimwe
akunakirwa na junior wangu sakei
akandivinga ega.

Ende akabva andipedzera hake handidi


kunyepa. Kusara ndisina power ndiko
kwandakaita. Mwana anonzi kimbi akanga
auya akandirongera chete.

Ndakazovhunduka achiti anoda kundibikira


chikafu. Ipapo ndakabva ndanyuma kuti
maybe pane zvaanoda kuita chete.
Ndakamuti abike akaita sekudaro.
Akazoenda ndikasara ndakarara. Ndaive
ndaneta zvangu nebonde , kuita
kundinzwisa hope.

Ndakazomuka zuva rakuvira ,ndipo


pandakafunga zvekumbotarisa ma camera
angu nekuti kuita kwa kimbi andina
kukunzwisisa. Ndakatarisa camera reku
kitchen kwaibika ikoko. Simba rakazopera
ndichiona achibudisa kabepa kaiva mu skirt
yake akatanga kuisa muchikafu changu.
Pfungwa dzangu dzakafunga kuti zvimwe
ndaisirwa mushonga wekuti ndinatse kuda
kimbi. Kwaiva kungofunga kwangu. Hazvina
kundinetsa ndakabva ndatora chikafu chiya
ndikanochipa kiti.

Kiti yacho haina kupedza nguva yakanga


yakutogwinha gwinha zvimakumbo
zvayo ,ichibudisa furo mukanwa. Ndakagara
pasi ndichipererwa hama. Saka kimbi
akanga afunga kundipfuudza nhai.
Kundiitira munhu kwaye kuti
ndisamufungira zvakawanda zvino
ndakange ndatoona kuti uku hakusi
kufarirwa. Ndakabhoikana zvisingaiti ende
hanatsi kuziva zvandiri mhani ndaida
kumudzidzisa chaiko. Handisi Rea
waanojairira ini ndinonzi Dudu.

Ndaisaziva kuti muroyi chaiye anoroya


masikati. Ndakatora kiti iya ndikanoirasa.
Ndakatorwadziwa nekuuraya kiti yangu
kwandakaita. Chikafu chese ndakachirasa
ndikabika chimwe.

Sakei akanditi ngatiite sexy yekuonekana


izvo aiziva zvaari hake. Ndakangoseka
zvangu ndega. Hee ndakusuwa Dudu
ndokusaka ndauya kuno nxaa kuuya kuda
kundiuraya. Ndichipedza kudya
ndakanorara ndichifunga kuti kimbi
ndokabata sei? Kufunga kwake anenge
achitoti ndakaenda kusingadzokwi
asingazivi kuti ndiri mupenyu hangu.

Ndakaita mazuva maviri ndichingoswera


zvangu paden pangu. Ndakazoti rimwe zuva
ndakagara hangu ndokumbofunga kuenda
kuma area acho ,ndakatora mota yangu
ndokuenda kudhuze nekumba kwacho.
Ndaisambomushaya cz munhu wacho
zvekufamba anozvidisa.

Ndaitova pashops e areas yacho


ndikamuona hangu achimodela kuuya pama
shops. Kaitofamba kachizvida kani. Paaive
akupinda mushop ndakabuda mumota
ndikanomusimudza ndokupinda naye
mumota.

Akaratidza kuvhunduka ndokuti

"Dudu!!!" Ndikati
"Ndini zvangu wavhunduka kaa" ndakadaro
ndichirova mota zvekuenda zviya. Ndainzwa
hasha dzisingaiti ipapa akati "uhm....ayewa
ko uri kuendepi neni?" Handina kumudaira
zvekuswera kubvunzwa zvisina basa
ndakanga ndisingadi. Hana yake
ndakainzwa ichitinhira chaiko ,kana dziri
nyoka dzemudumbu dzairira chaizvo.

Ndakasvika kuden kwangu ndikati "buda


tipinde mumba" akati "kuitei zvee Dudu"
ndikati "ndakusuwa babe pinda mumba"
ndainge ndakashatisa face ipapa ndisiri
kutomboda zvekuseka naye akati
"uchindiitira hasha kudaro here? Watadza
kutaura neni zvakanaka here" ndikati
"izemo riri kundidaro babe hande mumba
ndakusuwa ini , junior wangu wanguri
wamira kare"

Airatidza kutya zvakanyanya ndikamubata


ruoko tikapinda mumba. Tichingopinda
mumba takananga kubedroom kwangu
ndikatanga kumubata zve rough. Apana
chaaita cz ndaiita zvinomurwadza ndikabva
ndamubvisa hembe dzese. Ndapedza
kudaro ndakabva ndarara naye zvehutsinye.
Iye akanga akuchema but andina
kumbozvitarisa izvo. Ndichipedza kuita
bonde naye ndakabva ndamuratidza video
re day raabika ndikati

"Ndiko kudii uku kwawakaita" akanyara


achingochema nhando ndikabva ndatora
bhande rangu kwakutanga kumuzvambura.
Akairidza mhere but aitoita kuti ndiwedzere
kumurova. Ndainge ndatsamwa kwete
zvekunyepa akati "Dudu sorry kani
handichazviiti kani chindiregawo" ndikati
"waida kundiurayirei?"akabva aramba
akanyarara ndikabva ndamurova futi ,
ndaida kuti ataure zvaaida kundiurayira
zvacho akati "ndaida kuti video rirove Dudu
sorry hako" akanga akunzwisa tsitsi. Aive
andigumbura kimbi kwete zvekutamba.

"Saka waona iri nzira yakanaka kundiuraya


here Kimbi,sei une mweya wekuroya
kudaro" akati "sorry Dudu please
ndiregererewo" akadaro akazvambarara
pasi ndikatarisa maoko ake nemakumbo
ndikaona azvimba.

"Unowanza dzungu iwewe dai wakangwara


zviri nani zvino wakapusa , ndaisada
kutombo sender video iroro but zvawakaita
ndizvo zvakuita kuti ndide kuripa Rea wauri
kuda iyeye" akasimuka paakanga akarara
kwauuya kundimbundira misodzi iri
pamatama akati "kwete Dudu usadaro
taura zvaunoda ndiite hangu" ndikati
"handina chandichada kimbi chero kurara
tese kwataiita zvatoguma nhasi
handingarambi ndichirara nemuroyi cz
unogona kuzotosunga junior wangu kuti
asamira ndikazotadza kuita mhuri nekuda
kwako." Ndakamusunda akanowira
pasi ,ndakamuti abude ayende but
akaramba.

"Asi uchiri kuda nezvangu kani?" Akati


"kwete ndinoda kuregererwa newe Dudu,
ndinozviziva kuti ndakatadza" ndikati
"uchimboitirei zvisina basa usati wafunga.
Anouraya vanhu ndi Mwari kwete munhu ,
nguva yangu haisati yasvika" akati
"ndinozviziva" ndikati "chibuda uyende
ende tsoka yako handichadi kuiona pano."
Ndakadaro ndichibuda mumba ndikatanga
kutenderera yard yese. Nguva iyoyo foni
yangu yakabva yarira ,ndakaibudisa
muhomwe ndikaona ari Rea aifona. Nguva
iyi ndaisada zvekutaura ini ndikabva nda
ignore.
Apa ndakanga ndane nguva ndisingamuoni ,
uye tisingatauri pafoni. Yakarira futi iri
mumaoko angu ndikabva ndadaira.

"Urisei mukomana" ndakadaro ndichizama


kuzvidzikamisa akati

"Bhoo chibaba hindava kurova so" ndikati

"Kuroverana mudhara huya utore munhu


wako" ndakadhotomoka kutaura akati

"Munhu wangu upi?" Ndikati

"Sorry mhani ndanga ndichidaira muchinda


ari pano uyu ,uri kuzvigona sei hako" akati

"Kungodaro daro ndaida kunzwa kuti urisei


hangu" ndikati

"Waspaka chibaba"
Akabva akata foni ndikadzokera mumba
ndikawana kimbi akangomira akapeta
maoko ake ndikati "nanhasi uchiri pano"
akati "Dudu ndinokumbirawo
undigeregerere handichambozviiti futi"
ndikati "okay chiyenda kumba kimbi nekuti
face yako iri kutondisvota."akati "okay"
paaive oda kubuda ndakabva ndamumisa
ndikati "ndoda uwache bhutsu dzangu
wobva waenda." Akati "ndinozotsvagwa
namama" ndikati "ndizvo zvandiri kutoda
zvacho zvekuti urohwe izvozvo" ndakabva
ndanotora bhutsu dzangu dzakasviba
ndikamupa kuti awache. Ndainge
ndongomuitira hutsinye. Kwaiva
kumudzidzisa kuti asave nepfungwa
yekuuraya munhu. Munhu acharoora kimbi
achava nebasa guru. Akapedza kuwacha
ndikaona kuti dzachena zveshuwa.
Achipedza akabva ati "ndakuenda dudu"
akadaro neka voice kaisiririsa.
Ndakatomboda kuseka zvangu ndikati
"haudi sexy yekuonekana here?" Akabva
apusa ndokutarisa pasi ,ainge oshaya
zvekuita ndikati "huya tiite babe" ndainge
ndokanzwira tsitsi apa aisatarisika
nekuzvimba kwaanga aita. Akabva
adzungudza musoro achirambirana
nezvandanga ndataura. Handifungi kuti
aizoda futi kundiuraya ndaida kuka pwanya
chaiko asi ndakazongo karovawo
zvinoenderana nezera rake. Mai vake
hameno aizovaudza kuti aitwa sei izvozvo
ndakanga ndisisina basa nazvo.
"Chibuda zvako uyende ukazviita futi
ndinokusakadza."

Akabva abuda akaenda asina chaataura.


Ndakanga ndatomumaka zvekurevesa
chaiko. Ndakabva ndatora mota yangu
ndokubuda zvangu ndichimbowaya waya.
Ndichi driver kudaro ndakabva ndaona
mota ya Rea but ndaisaziva kuti ari
kuendepi. Ndakabva ndatoti mumashure
make kutevera. Iye handifungi kuti
akandiona cz side randaiva raiva nemota
dzakawanda but mota yake ndakaiziva.

Ndakazoona amira pachibva pasvika kamwe


kamusikana. Ndakavhurisa ziso ndichiona
kachipiwa hug ndokubva akisa futi
pamhanza pake. Andina kunatsa kukaona
kasikana aka sezvo ndaiva neche kure.
Zvaitoratidza kuti Rea ave nemusikana asi
iye haana kumboda kundiudza nezvazvo.
Vakapinda mumota mota ichibva yamutswa
akatanga ku driver asi hakuna kure
kwaakasvika akabva amisa mota.

Zvose izvi zvaiva mumaziso angu.


Ndakazoona akuuya kumota yangu
ndikashaya kuti andiona sei. Ndakabva
ndatoburukawo mumota mangu
ndikamhoresana naye akati
"Uri kutsvagei kuno Dudu" ndikati "koiwe
uri kutsvagei kuno" ndakadaro ndichiseka
achibva ati "ndauya kutora babe rangu shaa
ndoda kumboriratidza town" akadaro Rea
ndikati "hande ndinoona babe rako"
takabva taenda kumota yake , achibva
avhura remota yake akati "huya kuno babe"
akabuda musikana wacho ,imiwee
ndakaramba ndakamutarisa. Amana kaa
kana mazogara Rea anonyukura ngirozi.
Ndakamedza mate ndokunanzva muromo
wangu Rea achibva ati "babe ,mhoresa
friend yangu Dudu , Dudu uyu ndiye babe
wangu anonzi Deliverance" akadaro Rea.
Deliverance wacho akauya kundimhoresa
mumaoko chaimo ndikabva ndanzwa
kupfava kwemaoko ake. Ziso rangu raingova
pana Deliverance kani but iye wacho
ainyara zvisingaiti haana kumboda
kunditarisawo face yangu. Mwana uyu
akanaka mhani , ndakadaro neche mumoyo
mangu.zvikanzi "ndafara nekukuzivai" ka
voice kacho kakaita kuti ndinzwe mumuviri
wangu ndikati "neniwo" ndainge ndoda
kutotadza kutaura nekuyeverwa kwandaiita
naye. Rea akabva ati "babe chidzokera
zvako mumota ndiri kuuya manje manje."

Rea akabva andiperekedza kumota yangu


tichitaura nyaya akati "ririsei babe rangu"
akadaro achindibvunza ndikati "aah but
hakundi Annah" ndainzwa gogo amana
akati "hakundi pakudii?" Akabvunza ndikati
"kunaka Annah ari pamberi" ndakadaro
akati

"Unopenga,uri kutaura zva Annah ndichiri


kudanana naye here? Saka uri kuti babe
rangu rakashata here?" Akadaro Rea
akanditarisa mumaziso chaimo ndikati
"wakatadzawo kutsvaga ka slay queen
here" ndakadaro kani zvaingova zvekuda
kumurwadzisa chaiko. Pana Deliverance
aiva nezvinhu zvake hake apa ndakatoona
kuti ane ma dimples baba heyyy apa
kubatana zvako mwari akasika achinatsa
kuda chaiko.

"Haa bambo zvamakutaura zvava zvenyu


izvo. Dee ndiye andinoda ende ndiye
akatora moyo wangu apa anondida sei ,uye
ini ndichimudawo chaiko handidi naro babe
rangu."

Ndakanzwa kagodo kachivhara huro yangu


ndikabva ndamedza mate ndikati "but ndiri
kutaura chokwadi mudhara haana
kumbondinakira uyu ndaiti uchatsvaga
akadarika Annah" akati "handina basa
nekunaka bambo chandinoda moyo
wemunhu kwete kunaka hakudyiwe uko.
Haana kukunakira hako but kwandiri
akandinakira Dudu. Ende haambode mari
sehure ,kwete zvinoitwa nemamwe mababe
zvekuti unopera homwe kachingochemera
mari chete apa kanenge kasingakude
kanenge kachingoda mari yako ,rega
ndiende Dudu babe wangu anguri
andimirira angazotosvika ku town
adhinhiwa." Ndikati "okay Rea ndokubata
sha."

Ndakapindwa nechando nemashoko aitaura


Rea. Ndakazama kuda kumusvibisa moyo
asi haana kuterera ende airatidza kuti babe
rake anorida zvekurevesa. Ndakabhoikana
ndokudzokera zvangu kumba ende ndaida
kuzokataimira kababe ikaka.

*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/KjjCZtBEke866X
Us7S9QI6

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*
#0621141536

*Chapter 28*

*REA*

Dudu akanga akuda kundibhowa


achishoropodza babe rangu. Handina kuda
kumuratidza kuti handina kuzvifarira but
mumoyo zvaindibhowa. Anofunga achiti
kunaka kunodyiwa here ,ndakatoshaya
nekwaaiyenda kwacho kuti ndekupi chaiko.

Ndakazoenda ku hotel nebabe rangu ,


ndaida kumbomudzidzisa zvechirungu.
Takasvika zvedu tika order food yedu
tikabva tatanga kudya. Inini handina kudya
zvinoenda kure ndainge ndatoguta. Dee
akadya akapedza food yake achibva
adzvova ndikati

"Waguta kaa babe" akagutsurira musoro


tichibva taenda zvedu kwakumbotenderera
kutown ndichimutsvagira zvaanoda.
Akanhonga nhonga zvese zvaaida tikabva
tadzokera kumota zvikanzi

"Rea ,hausi wakunyanya kunditengera


kwacho here?" Akadaro Dee ndikabva ndati
"chero mari ikapera ndichikutengera
zvaunoda hazvina basa babe ngaipere."
Ndakadaro ndichimubata ruoko rwake akati
"wakunyanya Rea handinyanyi kuzvida."
akadaro Dee ndikatadza kuziva kuti
ndatadzei? Ndenge ndichitozamawo
kumufadza semusikana wangu. Ndaisada
afunge zvekushanda ini ndaitoda agare
pamba nagogo ndichivatengera zvose
zvavanoda ndikati "unondida here Dee?"
Ndakabvunza achibva anditarisa ndokuti
"ndinokuda Rea neyi wandibvunza izvozvo"
akadaro achida kunzwisisa ndikati "saka sei
usingadi kuti ndikuitire zvaunoda. Ndiri
kuzama kufadza iwe Dee kuti uwane zvose
zvaunoda semusikana,ende
handichatombodi kunzwa uchiti uchiri kuda
zvekutsvaga basa ipapo hatiwirirani Dee
handimbodi kukunyepera
hangu."ndakadaro ndikabva ndaenderera
mberi ndichiti

"Handidi kutamba nemoyo wako Dee but


ndinoda uzove mukadzi wangu ,unomboziva
zve love ndaive ndazvirega here babe but
kubva zvandakatanga kukuona wakabva
waunza chiyedza muhupenyu hwangu uye
kundipawo nyemwerero pachiso changu
ndaive ndoita semunhu asingatauri nekuda
kwekuzvidya moyo because ndainge
ndakarambiwa nemunhu andaida nemoyo
wese , sorry kukuudza izvi ndiri kuzama
kukujekesera zvaiitika muhupenyu hwangu.
Unoita pfungwa dzangu dzigadzikane babe
uye handifunge zvakawanda ndinewe so."

Ndakadaro ndichibva ndambotura mafemo


kwakumbozororera. Ndakatarisa babe
wangu ndikaona akuchema ndikamuisa pa
chest pangu ndikati "chii babe ndataura
zvisina kukufadzana here?" Ndakadaro
ndichimubvunza achibva anditarisa
mumaziso chaimo tikabva taramba
takatarisana akati "Thank you Rea nekuuya
mulife yangu usanetseke nekuchema
kwangu mashoko ako ndiwo andidzamira
mumwe wangu ndinokuda wakaita ndivewo
musikana anoonekera pane vamwe vanhu
nofunga kuti zvandaive unozviziva Rea.
Ndaive munhu aigara achitambudzika
muhupenyu hwangu nekuda
kwekurasikirwa namai vangu , ndaidya
nhoko dzezvironda Rea vanhu
vachingondiona sedzisina kukwana asi
kuuya kwawakaita mulife yangu zvakabva
zvachinja kana kuchema kwakuitawo
kushoma"

Dee akapedza kutaura akutochema ini


misodzi yakatombobudawo ndikabva
ndaidzorera babe wangu asati azviona.
Zvakandirwadza handidi
kunyepa ,ndaitoverengera kumubvunza
nezve mararamiro ake nekuti kamuonero
kandakamuita first day kakandiratidza
zvakawanda. Ndikakati "usacheme zvako
babe ndichamira newe pazvose uri wangu
hazvimbochinje babe." Akati "Thank you"
ndikati "saka dad vari kupi?" akati "vari
muno mu Harare nezuro vakauya kundiona
ndakafara ini ndange ndane nguva
ndisingavaoni" ndikati "ko vaitadza neyi
kuuya kukuona" akati "vaisaziva kwandiri
ndainge ndakaita zvekutiza kumusha so
apana aiziva kwandiri."

Ndakabatikana hangu kamuraramiro kayiita


Dee kairwadza zvako ,ukaona wotiza pamba
pako zvinenge zvanyanya kuoma.

"Babe wangu ndakuda kuti uzikanwe


nevabereki vangu." ndakadaro achibva
avhunduka ndikati "wavhundukei?" Akati
"hii Rea achimangwanani" akadaro
achipukuta zvimusodzi zvainge zvichiri
pamatama , ndikaseka hangu kutaura kwa
Dee soo ndikati "mangwanani kuita sei?"
akati "wakasika kuda kuti ndionekwe
nevabereki vako ,ndinotya ini?"
Akadaro Dee ndikati "just kungoku
introducer babe kuti vagare vachikuziva
hapana chinotyisa" ndainge ndodawo kuti
vabereki vazive musikana andiri
kufambidzana naye. Ndaive nechivimbo
chekuti vaizomutambirawo zvakanaka. akati
"ndaida but ndinotya Rea" akadaro ndikati
"usatye handi ndinenge ndiripo here
babe ,munofana kushinga mai mwana
nekuti manje manje ndotoda kukutora babe
kugara ndega kwakurwadza zvakuda kuti
uve paside pangu uchipurizira chest ya
dady"

Ndakaseka ndichiona Dee achinyaririra apa


achiseka zvake. Ndikati "ndizvo kaa babe
ndakuda kamwana babe unomboziva
ndakura here ndane 25 years babe koiwe
une makore mangani" akati "ndiri kudanana
neharahwa aah ndine 17" ndakaseka
ndichibva ndarova Dee kambama ndikati
"babe wangu haundidi ungabva wanditi
harahwa shuwa usandidaro mukadzi
wangu" akati "sorry kunyangwe uri harahwa
ndinongokuda Rea" akadaro achiseka
takabva tatanga kurovana zvimambama
zverudo kwakutotanga kutamba chikudo
ndokubva ndabata zamu rake ndikanzwa
kamwe kafeeling kaisanzwisika apa taive
tatarisana mumaziso ndikaona Dee
akuswededza muromo wake pane wangu.
Kwakutanga kundikisa ndikabva ndatanga
kudzorerawo apa zvainakidza. Dee ainge
azvipa zvivindi zvekundikisa ndiko kaitova
kekutanga kukiswa na Dee. Ndakapuruzira
zvidzva zvake kwakukwidza dress rake
mudenga ndikanatsa kupuruzira zvakanaka.
Uku muromo wangu wainatsa kudyiwa na
Dee zvekuti akanga akugona kukisa ini
ndikaramba ndichiita zvandaiita ,juju wangu
wainge worwadza ndikashaiwa kuti ndodini
nekuti wainge worwadza zvekutoda kuita.
Dee akandibata mumutsipa mangu
kwakuenderera mberi nekundikisa ini
ndainge ndisingachagoni kugara zvakanaka
nekuda kwa juju. Zvima sounds zvaive
zvobudisa Dee zvakanga
zvisingachanzwisisiki ndikabva ndaradzika
seat rataive takagara ndikawisira Dee ipapo
achibva arara nemhanhede ,apa aive
akangoisa maoko ake muhuro mangu.

"Ndarwadziwa babe" ndakadaro ndichida


kunzwawo kuti anoti chii ,akashinyira
ndokuti "I'm ready Rea" ndakavhunduka
Dee achidaro pandaive ndoda kumupindura
akabva atondinama kiss pamuromo
ndikashaiwa mapinduriro. Ndakadzimara
ndabudisa juju wangu ndikati "babe ndiite
here?" Amana ndainge ndarwadziwa ini
handidi kunyepa but ndaitya kuita mwana
wevanhu ndisati ndamuroora. Dee haana
kumbondidavira ndaitotaura zvangu ndega.
Ndakaisa chigumwe changu mukanwa
ndikabva ndabata ku honeypot kwake
nechigumwe ndikanzwa kune zvimvura
ndikaziva kuti ndakuvadza mwana wevanhu
airatidza kuti akutoda but ndaitya ini.

Ndakaramba ndichikwiza ipapo pacho


nechigunwe akatanga kusimukira
ndikaramba ndichidaro , kanduwe kake
ndaive ndakaisa paside , nguva yandakati
ndipinze chigunwe mukati mwana wevanhu
akajamba apa ndainge ndisati ndapinza.
Hameno pfungwa dzake dzaive dzavhurika
here nekuti akange atove mudenga rake
oga.

"Chii babe?" Ndakadaro ndichibvunza


achibva atarisa side pamwe aive aona juju
wangu aigutsurira kasingaperi akati "kwete
Rea ngatisaita izvozvo" ndikati "babe hona
ndarwadziwa sha ndongoisa hangu musoro
chete kuti ndinzwe zviri nane" ndaitaura
ndega aive akatondifuratira hake ini wacho
ndakanga ndisina kumbogadzikana kana
kamwe. Babe wangu ndiye aive atangawo
kundikisa zvemufirimu kusvika juju wangu
watsamwa.

Ndakadhonza Dee achibva adonhera


pachest pangu ndikati "but babe wangu
ndiwe watanga now wakundisiya
ndichirwadziwa usadaro babe nhasi
handifungi kuti ndinorara ini tarira
zvawandiita" ndakadaro
ndichimunongedzera but akanga akavhara
kumeso kwake , handina kumboratidza
kumunyara.

Ndakadzorera juju wangu mubhurugwa


ndikamuti achigara hake zvakanaka asi
ainge onyara. Dee ainge akuzvidawo but
pfungwa dzake hameno dzainge dzachinja
nguvai. Haana kuzomboda kutaura neni
ndokuramba ari zii hake. Ndakarara
ndakaisa musoro wangu pa steering yemota
ndichida kuti zvandainzwa zvipere but
azvina kuchinja. Zvaigopera sei ini ndakanga
ndakagara na Dee uyo aitoita kuti
ndiwedzere kurwadziwa.

"Babe ndiregererewo ndiri munhu


wenyama ndenge ndakunzwa
kuda ,zvawandiita nhasi ndizvo zvaita
ndinzwe izvozvo babe ,handina
kukutsamwira une right yekuti urambe
nekuti hatisati tarorana but nguva yacho
ichakwana zvayo." Ndakabva ndati futi
"saka wazoti chii babe panyaya yekuona
vamwene vako nava tezvara."

"Unoda tizviite rini?" Ndikati "chero


mangwana babe" akati "ndozokuudza
manheru kana ndambotaura nagogo"
ndikati "thanks babe gogo havamborambi
ndinotoziva kuti vanobvuma."
Ndakabva ndamutsa mota ndikaenda na
Dee kumba kwavo. Nguva dzakanga
dzatofambawo so semusikana ainge oda
kunobikawo kumba. Takasvika ndikati
"thanks wamboswera neni asi nhasi
wandiita zvinogara zvakadaro" akanyara
achibva abuda mota ndikabva
ndamuperekedza kusvika pa gate pavo ,
achibva andipa hug nekiss akati "byee dady
totaura manheru." Dee akanga akuziva rudo
veduwe handina kumuudzira kuti ndipe kiss
nehug but akaita ega ,ndainge ndakunatsa
kuona rudo rwake. Ndikati "thank you babe
umhorese gogo ndakuenda"
takabhaibhisana tikabva taparadzana
ndikaenda kumota kwangu kwakuenda
kumba.

Ndiri muroad kuenda kumba ndaingofunga


zvandainge ndaita na Dee. Ndakanzwa
kunakirwa nazvo ende dai ndaive munhu
anokasika kuda kuita zvinhu ingadai
ndakatodya zvinhu zvemwana. Apa mumota
guys uhm ipapo manje panga pasingaite but
zvaive zvatondiipira zvekuti ndainge
ndotoda kuitira imomo.

Ndakasvika kumba ndikaenda kwaiva


namom nadad. Ndakavamhoresa but
handina kuda kuvaudza kuti mangwana
ndiri kuuya nemusikana wangu ndaida
kuzova surpriser. Ndakaenda kwaiva na
Lizzy tikamhoresana zvakanaka aive
akutofarawo ndikati "mangwana ndinoda
ubike zvinonaka ndine muyenzi ari kuuya
pano" ndaida babe wangu azoona zvese
zvakarongeka akati "ndichaita sekudaro"
ndikati "good rega ndinorara."

Ndakaenda kuroom kwangu ndikanobvisa


hembe dzese ndikasara ndine ka short
ndikabva ndarara zvangu. Akava manheru
babe wangu achibva azondifonera achiti
gogo vati hapana chakashata. Ini ndaizviziva
hangu kuti gogo havarambi munhu
anonzwisisa , nguva yekudya yakakwana
ndikabva ndaenda kunodya. Ndichipedza
ndakaenda kunorara. Ndakaenda pa App
ndikambotaura na Dee ndikabva ndazorara.

*MELISSA*

"Muri mapenzi evanhu zvireshe chaizvo


ndinoda kuwana mabva pamba pangu
muyende kumusha kwa baba venyu
vamakauraya mukadya. Uvudze mai vako
izvozvo foni yavo iri kuramba dai
ndatovafonera so. Mashoko akawanda
nemi handina hangu mwana wangu
ndakamuwana muri varoyi mose zvenyu"
Yaiva message yakanga yasendwa nababa
Shupikai. Painge patomira kushata
handizive kuti taizozvifambisa sei.
Ndakazoenda kumba simba ratova shoma
nekuda kwe msg yababa Shupi. Ende vaiva
vatsamwa zvekusvika pakutiudza kuti tibve
pamba pavo. Hameno mama ndivo
vaizoona zvekuita ko zvandaive ndotozvipa
stress mbiri yekufunga tonde neye msg.

Ndichisvika kumba ndakaudzawo Mona


nezvazvo akaratidza kurwadziwa asi
chekuita paive pasina. Zvaive
zvotondishungurudzawo mupfungwa
dzangu nekuti kwekuenda taisava nakwo.
Uku mimba yangu yaida kuchengetwa but
wekuchengeta wacho ndiye aisavapo.

Kuchipatara taienda but pakanga pasina


chachinja ,hameno kuti vararama here
mama takangozvisiirawo kuna mwari.
"Mona , chamboenda kuhuni" ndakadaro
hangu ndaida kumbozorodza pfungwa
dzangu ndichiteza hangu huni. "Kwakanaka
here nhasi wafungawo kuenda kuhuni"
ndikati "kwaida kushatei zvako" ndakabva
ndaenda kuhuni ndikambogara ndiri ikoko
ndikazotanga kuteza huni. Ndiri pakati
pekuteza huni ndakaona vamwe mbuya
vaitozvifambirawo havo vachiratidza kuti
kune kwavari kuenda ,"makadiiko gogo"
ndakadaro ndichivamhoresa vakati
"ndinofara hangu kwakadii kumba" ndikati
kunofara chaizvo gogo , ndokumbirawo
kubvunza" ndakadaro ndaita kubata
muchiuno mangu "bvunza hako" ndikati
"munozivawo mushonga wekubvisa mimba
here?"zvikanzi

"Watiiko?" Vakadaro kuita sevasina


kundinzwa apa vaive vanzwa havo ndikati
"mushonga" ndakadaro vachibva vatsveta
kabag kavo pasi ndokuti "mushonga waita
seiko?" Gogo ava vaindipusisa havo
zvandaive ndataura vainge vazvinzwa
ndikati "munozivawo mushonga wekubvisa
mimba here?" vakati "wandiona semuroyi
here?"

Vakadaro vatochinja face ndikati "kwete


gogo ndiri kungobvunzawo" vakati "iweka
iwe penga zvakanaka nemimba yako ,
kamwana kadiki kanofunga zvemushonga
uri kachidheshure"

Ndakapererwa kani nemashoko agogo ava.


Ndaiti vanozivawo kaa mushonga wacho
ndobva ndabatsirika pakubvisa mimba zvino
ndakange ndatukwa nambuya ava.
Vakaenda vachitaura but ndakanga
ndisingachazvinzwi cz vainge votaurira pasi.

Ndakatsvaga huni ndikabva ndakwanisa


ndikadzokera kumba. Mona aive akutobika
sadza remanheru tikadya tichibva tarara.
Kunze kuchiedza takamuka tikageza
kwakuenda kuchipatara kwaiva namama.
Tichisvika takawana vakasvinura ende Mona
akajamba jamba kani akadzadzwa nemufaro.
Mona akamhoresa mhamha vakadavira but
vayiita sevanogomera ndikati "muri kunzwa
sei mama" vakangondipa ziso rekuti uri
mbwende ndokubva varamba vakanyarara
havo. Asi zvakandibata bata cz Mona
akanga adairwa ini kwakunyararirwa ndikati
"mama asi makanditsamwira kani"
vakandipa futi ziso rekuti ibva pano , Mona
achibva ati "Melissa imbomira izvozvo"

Ndakaridza katsamwa kemumoyo ,aigonditi


imbomira izvozvo kuti pane chandaive
ndatadza here inga ndaive ndabvunzawo
zvakanaka wani. zvikanzi "kurisei kumba"
vakadaro mama nevoice rayiita
serakadzvinyiwa , Mona akati "hakusi bho
uku mama ,kana musiko kumba
hakunakidze" ndakapa Mona ziziso rekuti
wakashota.

Ini ndainge ndanyarara hangu ndichisiya


vaviri ava vachitaura. Ko ndakanga
ndichadiwa here ndainge ndotozviona
ndega kuti handichadiwi. Mama vaisafana
kutsamwa cz ndivo vakanyanya kunditadzira.
Tonde akandisiya nekuda amai vangu nhasi
uno ndave nekatumbu kake apa iye
haachatombobatikiri zvake. Zvimusodzi
zvakada kutombobuda but ndakaidzora.

Mona na mama havana kuzoita nguva


yakareba vachitaura takabva tatobuda
kudzokera kumba. "Asi mama
ndakavatadzirei nhai Mona" ndakadaro
ndichimubvunza akati "hauna Melissa but
vachiri mumarwadzo havadi kubvunziwa
zvakawanda." Akadaro Mona ndikati "Saka
vatadza kundidavirawo here ndichivabvunza
kuti muri kunzwa sei?" Akati
"handichaziviwo Melissa mozopedzerana
kana vapora now imbomira kubvunza
tumibvunzo tunovatemesa musoro."ndikati

"Zvakanaka Mona inini handichadiwe na


mama rega ndigoona kuti ndanzerereka
nenyika here." Ndakadaro
ndakuchema ,ndayiita hangu sendisina basa
nazvo asi mumoyo mangu zvaindirwadza
chaiko. Vakanditorera mukomana wangu
pamusoro pazvo vondivenga futi
ndakachema zvekurwadziwa chaiko. Ndaida
kutombobva pamba ipapa ndoenda hangu
kwagogo pamwe pfungwa dzangu
dzaimbozoroorawo kufunga.

Rimwe zuva Mona akabuda achibva azouya


nemukomana wake ndikazorohwa nehana
ndichiona ari mukomana uya
andakasangana naye ku road
ndichizvifambira hangu. Ndakanyara
veduwe cz ndaitonzwa kumuda chaiko.
Takamhoresana achibva apiwa chair na
Mona akagara akati "ndiwe hako" akadaro
achireva ini apa achinyemwerera, Mona
achibva ati "Asi mazivana kani" akadaro
mukomana wacho akati "yeah
ndakambomuona kuroad uko achifamba
hake." Akapindura Mona akati "Melissa ava
ndivo bamukuru vako,babe ava ndimainini
vako" zvikanzi "ndafara nekukuziva mukadzi
wangu" akadaro mukomana wake ndikati
"ndafara nekukuzivaiwo"

Ndakadaro ndichitonyara zvangu. zvikanzi


"babe , inga ndine mukadzi akanaka
uchenjere kuti unotorerwa namainini cz
vakanaka" aitowanza zvake mukomana
wacho. Mona akaseka akati "unobva
watitora tese kana uchigona kutichengeta"
akati "ndingatadza kuchengeta vakadzi
vaviri chete here ndinotoda four babe"
vakaseka havo ende aive akasununguka
hake.
Takambotandara achibva azooneka
akaenda. Aiva akanaka mukomana wa
Mona ndikabva ndafunga kudadira Eric
kwandakaita ingadai ndichitodanana naye
hangu but dai ndakaziva haitungamiri.

"Ari right kaa mukomana wangu" akadaro


Mona ndikati "eh aribho" akabva
anyemwerera achipinda mu kitchen. Ndikati
vagoni zvavo vari murudo. Ndakatamba
nenguva yangu ndichipa munhu rudo asinei
neni hake. Ndainge ndongochema chema
nekudemba,asi Mona aigara akandiudza
nekunditsiura ndichimuona sebenzi
ndichimutuka achinyarara hake achiita
sekuti haazivi zvaanoita.

Mazuva akafamba mama vakazobudawo


muchipatara but vaive vaonda chaiko
hameno kwaiva kufunga here. Ini vaitaura
neni nguva yavanenge vachida , nguva zhinji
vaindinyararira , zvakazoita kuti ndivaudze
kuti

"Mama ndinoti I'm sorry pane zvose


zvandakakuitirai ,ndaiti ndiri kugona asi
ndazoona nhasi kuti ndaitadza. Ndine
nhumbu ya tonde mama iri
kundishurungudza handizivi kuti
ndodini ,tonde wacho hachabatiki
zvichireva kuti haachandidi mama ndinoti
kwaari ikoko Mwari ngaave naye.
Mondiregererawo pazvose zvandakatadza
nhasi uno ndiri kudemba ndafunga hangu
kunzerereka nenyika mama chero
ndikadyiwa nezvikara zvesango hazvina
hazvo basa,ndiri kuona kuti mandivenga
zvekurevesa ,mosara zvakanaka ndakuenda
mama , Mona usarewo zvakanaka."

Ndakadaro ndakusimuka kuti ndiende


vachibva vati
"Melissa!!!!!!....." Ndikati
"Mhaaaa!!!"

*End of chapter*

*Love you all guys *

[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this


link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/KjjCZtBEke866X
Us7S9QI6
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*Chapter 29*
*DELIVERANCE*

Ndakanga ndonzwa kuda kuitwa na Rea but


mashoko agogo ekuti ndisavhure makumbo
akabva aita maungira munzeve dzangu
ndikabva ndakasira kuzvibvisa pana Rea.
Ndaive ndonzwa kuti ndave mumwe munhu
nekuda kwezi feeling randainzwa. Rudo
rwangu na Rea rwainge rwopisa chaiko uye
ruchinakidza chaiko nekuti taidanana hedu
zvisiri zvekufungidzira. Apana chandakanga
ndisingachagoni ini sezvo aindidzidzisa.
Takapesana na Rea ndichienda kumba iye
achidzokerawo kumba kwavo. Nyaya yekuti
ndinoona vabereki vake yaindityisa chaizvo.
Ndaiona kunga Rea akasikira kuti tiite
izvozvo but ndakazongobvumawo hangu
sezvo ndizvo zvaaida zvacho.

Ndakaudza gogo vakati "kana zviri izvo


zvaari kuda kutongotevedzera hapana
zvekuita. Asi ndaona sezvakanaka hangu
nekuti dai asingakudi aisamboenda newe
kune vabereki vake. Mukudanana ndizvo
zvakanaka chaizvo ndinozvikurudzira."
Vakadaro gogo ndikati "asi ndiri kutya gogo
hameno vachanditambirawo sei?" vakati
"Havana zvavanokuita kuti uri munhu
anoshooreka here inga uri musikana
musvinu wani." Vakadaro gogo ndikabva
ndashinga.

Takabika kudya kwe manheru, tikabva tadya


tikarara. Zuva iri ndakanamata ndikarara
kuroom kwangu , ndakabva ndaudza Rea
zvekuti gogo vabvuma kuti ndiende kumba
kwavo.
Kunze kuchiedza ndakamuka kuita basa
rese. Ndichipedza ndakaenda kunogeza
ndikapedza tikabva tadya nagogo.
Ndakapfeka dress rangu rakanga rakakura
sezvo ndainoona vamwene nava tezvara
ndaisada kuzosvoda nechihembe chipfupi
so ndakapfeka dress raidarika mabvi.

Ndakapfeka nezvima pums zvacho. Zvaive


zvakanaka ndikabvunzawo gogo vakati
"zvakanaka muzukuru wazosiirira
zvepanzeve zviya zvinorembera." vakadaro
vachireva ma earring ndikati "ndinawo but
handimafariri gogo." vakati "hazvichina
hazvo basa asi wakachena" ndakatenda
gogo ndikadzokera ku room kwangu
ndikawana foni ichirira , aiva Rea ndikati

"Morning Daddy" ndakadaro achibva ati


"Ndiribho babe ndakuuya wapedza here?"
Ndikati

"Ndapedza, ndamirira iwe" akati

"Okay ndakuuya"

Akabva akata foni ndikamirira kusvika


kwake. Ndakabva ndatomboenda kuna
gogo ndikati "gogo ndakakanganwa
kukuudzai paya pandakaenda kunotenga
murivo ndakaona vakomana vaya vamakati
ndisatambira pedyo navo mumwe wacho
ari kundinetsa gogo ari kuti anondida but
ndiri kumuudza kuti handikudi asi ari
kungoramba achinetsa chinozondibhowa
anobva andibata ruoko rwangu kuita sendiri
musikana wake , Rea akandiona
ndakabatwa kudaro anofungei gogo"

Ndakadaro ndichiudza gogo vakabva vati


"ibenzi remunhu iwewe usabvume nekuti
mukomana unaye anokuda Deri usabvume
kunyengerwa nezvikomana izvozvo
vanomitisa chete avo kwete kuti vanenge
vachitoda zvechokwadi,siya zvakadaro
ndikavaona ndichavaudza zvekuti vatambire
kure newe havambondinetsi avo."

Vakadaro gogo tichibva tanzwa knock pa


door ndikabva ndanovhura. Ndakafara
ndichiona ari Rea ndikabva ndamumbundira
ndikamuti apinde mumba achibva apinda
tikagara pasofa. Takakwazisana achibva
akisa ruoko rwangu zvikanzi "ndakusuwai
mamie" akadaro achitaura zvishoma
asingandi kunzikwa nagogo ndikati "Chero
ini kuita sekuti ndave nemazuva maviri
ndisingakuoni" ndakadaro akati "saka
ndinodiwa" akadaro gogo vachibva vazouya
vakabva vamhoresana.

Vakabvunzana mufaro zvikanzi


"makutotorana kuenda here?" Rea akati "Eh
gogo ndatouya kutora munhu wangu regai
tiende." Takaoneka gogo tikabva tabuda.
Takaenda kumota ndakabatwa ruoko
tikapinda mumota zvikanzi "nhasi ndiri
kunzwa kuneta babe" ndikati "ko chii?"
akati "handisi kutomboziva babe
ndangomuka nyama dzangu dzakaneta
ndaedza kugeza asi hazvina kushanda
maybe musoro uri kuda kurwadza."

"Pane chichakutsamwisa" ndakadaro akati


"usadaro zvee babe unondivhundusa hana
yangu haina kusimba". akadaro achibata
hana yake ndikabva ndabatawo pa chest
yake ndikati "kazhinji kacho ndizvo
zvazvinoita kana uchinzwa kuneta zviya but
usatye hapana chinoitika."akabva
andimbundira kwakundipa tsvodi pamhanza
akati "sakei muripo mamie
munondisimbisa"
Ndakabva ndasekerera kunzi mamie
ndakazvifarira. Takaenda zvedu tichitaura
nyaya ndichiseka achingowanza hake iye
aingoseka zvishoma obva anyarara. Pamwe
akanga asiri kunzwa hake zvakanaka but
haana kuda kundiudza aingoti ndakaneta
ndikatadza kuziva kuti kuneta rudzii.
Akatora nguva achi driver tikabva tazosvika
paive neimba yakanaka uye iri hombe.
Kuona kwandakaita kuti tasvika hana yangu
yakabva yati bamu-bamu kurova chaizvo.
Yaitonzika kuti iri kutinhira ndikabva
ndaedza kuzvidzikamisa but yakaramba
ichitinhira. Rea akange amisa mota pagedhe
achibva azovhura tikapinda mukati.

Ini ndakanga ndotya chaizvo ameno kuti chii.


Mudumbu mangu makanga makuhuta , Rea
akazviona akati "uri kutyei babe
havambotyisi vabereki vangu ava" akadaro
ndikaramba ndakanyarara ndokutanga ku
kutarisa tarisa ndikaona pamba pavo
pakanaka chaizvo. Regai Rea ade
kungonditengera zvinhu pese pese vanhu
vacho ndakatoona kuti vane mazi mari
akawanda. "Buda tiende babe manje ukatya
zvingabuda here usaratidza kupusa ita
semunhu akangwarawo handiti."
Ndakagutsurira musoro ndichibuda
mumota achibva avhara door remota
akandibata ruoko tikafamba tichienda
mumba. Makumbo angu akanga akuita
seabatwa nechiveve iko kwaiva kutya.
Ndichibva ndatura zibefu Rea akati "babe
please shinga handiti ,uri kumbonyanya
kutya chii ndiudze" akadaro Rea pataive
tamira ndikati "usandishoorawo Rea ifirst
time yangu iyi so ndenge ndichitotya"
ndakadaro akati "Hana ngaidzikame"
akadaro achibata chest yangu achibva
andikisa pamuromo akati "wakunzwa sei?"
ndikati "zvava nane" hapana chakanga
chachinja ,ndakanyepa kuti Rea asanyanye
kunetseka.
Takafamba kwakupinda mumba. Hana
yangu yakazonyanya kurova ndichiona mai
vacho nababa vacho vaiva vakagara vachiita
nyaya.tichingosvika mai vacho vakabva vati
"ko watsvaga mumwe musikana webasa
usina kundiudza neyi Rea" vakadaro
ndikabva ndapusa zvisingaiti ,ndakatarisa
Rea ndikaona akatarisa mai vake zvikanzi
"mama ,ko mukanyarara munobvei?
Hamusati manzwa kuti muyenzi wacho
ndian asi makutorotomoka kutaura."
Akadaro Rea achiratidza kuti haana
kuzvifarira vachibva vati "hapana basa
rakawanda Rea zvekuti pangada vasikana
vaviri pano."vakadaro Rea akati

"Mama!!!!!!"

Akadaro Rea ini ndaive ndatoona kuti mai


vacho vakaoma musoro. Ende ndainge
ndowedzera kutya Rea akati "mama na dad
uyu anonzi Deliverance ndiye musikana
wangu , Dee ava ndivo mama na dad"
achipedza kutaura mama vacho vakabva
vati "wati chii?" Vakabvunza kuita sevasina
kunzwa but vaive vanzwa havo. Nguva
yekuti ndivamhorese handina kana kuiwana
apa taive tisati tagara pasi tainge takamira.
"Muri kuzama kuita sei mama kana
muchiita semusina kunzwa zvandataura ,
zvandinenge ndataura zvakanaka wani pane
pamusina kunatsa kunzwa here
ndikujekeserei."

Baba vacho vaive vakanyarara mai vacho


vakabva vaseka vachirovanisa maoko avo
vakati "musikana wako iyeyu here?"
Vakabvunza vachimonya miromo yavo,ini
ndainge ndoda kuchema nekuti ndainge
ndakutoona kuti pano hapana chitsvene.
Rea akati "mama mukanyarara
hamumbofe" akadaro Rea zvikanzi
"kundivigira idzo tsvina idzodzi here"
mashoko avo akauya sechibhakera
munzeve dzangu ndikanzwa moyo wangu
kurwadza. Kurohwa kuri nani than kuudziwa
mashoko anorwadza uye asingakasiri kubva
pamoyo. Misodzi yangu yakatanga kubuda
handizive kuti vakanga vashoora chii pandiri.

Ndainge ndakapfekawo zvakadzikama kuti


vandione semwana akarairwa uye anobva
kune vanhu. "Mama munondida here imi?"
Akadaro Rea achinja face ini ndainge
ndodemba kuti dai ndisina kuuya hangu
zvikanzi "eh ndinokuda mwanangu asi
haungandivigire kamunhu kanoita
sekanorwara zvako asi wangokanhongawo
munzira kani kimbi zvaator......" Vakabva
vamiswa zvikanzi "stop it mama ,mega
hamusi kunzwa kunyara here? kana
muchindida sei muchitadza kugamuchira
musikana wangu' andauya naye."
Ndakatanga kukosora ,chikosoro chacho
handina kuziva kuti chainge chabvepi
chaizvo. Ndakakosora zvakasimba
ndakabata pamoyo pangu , Rea achibva
adaidzira mvura ichibva yauya neumwe
musikana. Ndakamwa mvura iya ndikanzwa
zviri nane. Kana iri misodzi yainge yatotesa
dress rangu pachest apa.ndapedza kukosora
zvikanzi namai vacho

"Ngakabude muno kanotorwara aka


kangatosiya chirwere chaiko muno" veduwe
ndakapera simba ndikaita sendicharidza
mhere , ndakatanga kudedera zvikanzi
"ndati get out" vakadaro vachiridza maoko
avo vachisimuka ndikabva ndati chitsoka
ndibereke ,ndakabuda mumba mavo ndiri
mhepo. Rea ainge akandibata ruoko but
akasara akabata mhepo ndaenda kare. Rea
akada kuti Delly,Delly but ndainge ndaenda
kare, veduwe ndakarwadziwa zvisingaiti.
Rea akada kunditevera asi haana kundibata
sezvo speed yandaiva nayo yakanga isina
kumira zvakanaka. Handina kumbocheuka
ndakaramba ndichimhanya ndichienda uku
ndichichema. Handina kumboda kufunga
kuti vanhu vanondiona ndichimhanya kudai
vanofungei. Ndakamhanyisa veduwe chero
aonekwa achiba hambodero , chakanga
chasara kunzi batai mbavha iyo. Ndakati
ndava kure ndakabva ndacheuka
kumashure ndikaona kusina aitevera.
Ndichibva ndamira pasi pemuti
ndikakotama ndikabata mabvi angu
ndokutanga kufemereka , misodzi
ichidonhera patsoka dzangu. Ndakaita
nguva ndakamira ipapo ndichifunga
zvakanyanya. Handifungi kuti ndichazovawo
munhu anodiwa.zvakandibaya panyama
nhete.

Ndakatanga kufamba ndichitsvaga mota


yekwira kuti ndiende kumba. Pamoyo
pangu ndainzwa kuti pane zigodo
rakagarapo. Ndichifamba kudaro pakabva
pasvika imwe mota yakamira mujinga
mangu driver wacho akati "muri kuendepi
sisi" akabvunza but handina kukwanisa
kudavira negodo raiva pamoyo pangu
ndikaramba ndakanyarara. Mumota macho
maisava nevanhu ndakabva ndatotya
kukwira mota yacho zvikanzi

"Ah ndiwe hako ndanga ndisina kunatsa


kuona zvakanaka" akadaro driver uya
ndikabva ndamutarisa ndichitotadza kuziva
kuti anondizivirepi asi handina kumuziva.
Ndakapukuta misodzi yangu asi haina
kumira kubuda. Driver uya akabuda
mumota achibva auya kwandaiva zvikanzi
"uri kuchemei nhai musikana asi
wandikanganwa" ndakangogutsurira zvekuti
zvidarike nekuti ndaisada zvekuita nyaya
achibva andibata ruoko rwangu akandipinza
mumota ndikaiswa ku mother seat zvikanzi
"ndini uya akakupa mari ndichiti utize
ndafara nekukuona ,moyo wangu wakafara
pandakaona usisipo. Usacheme musikana
nekunaka kwawakaita uku hazvikufiti hako"
ndakarohwa nehana ndichiona zveshuwa
ndiye mukomana ekundipa mari uya.
Ndainge ndisina kumucherechedza nekuda
kwezvandainzwa mumoyo mangu uye
ndaitovawo nezvangu zvaindinetsa. zvikanzi
"waitwa seiko musikana taura neni"
akadaro ndikabva ndakwiridzira madzihwa
ndikati "hapana" akati

"Saka uri kuchemei?" ndikati "hupenyu


mukoma" ndizvo zvega zvandakaita , chero
iye haana kutonzwisisa zvandakataura
achibva amutsa mota ndikamuudza
kwandaienda tichibva taenda. Ndainzwa
kunga nyika yandigumira chaiko , kudemba
kuti dai mwari vanditora havo ,nekuti
mhosva yangu chaiyo handiizivi. Zororo
handina ini ndogara misodzi iri
pamatama ,ameno ndaizofarawo rini.
Pandinoti ndifare ndinobva ndatsamwa.
Ndaive ndatopererwa kushaya kuti ndodini.

Mukomana uya akandiburusa achibva


adarikira kuenda,ndaida kumupa mari yake
asi akairamba achiti ndakubatsira.
Ndakapinda mumba ndichibva ndamhanya
kuzviwisira pamakumbo agogo.
Nganditange kuchema kuita kuridza mhere
chaiko. Pfungwa dzikatanga futi
kuzvinetsa ,moyo uchirwadza kunga
wabayiwa nepfumo. Gogo havana kuziva
chaitora nzvimbo ,vakambozama kubvunza
asi ndaisadavira nekuchema kwandaiita.
Ndakaita nguva ndiripo pamakumbo avo
ndikabva ndazonyarara ndikabva
pamakumbo avo zvikanzi "zvaita sei?"
Vakadaro gogo ndikapukuta misodzi yangu
ndikati "gogo,,,,gogo" ndakatanga futi
kuchema gogo vakandinyararidza ndikati
"ndatukwa kani gogo" ndakadaro vachibva
vati "kutukwa naniko muzukuru taura
wakadzikama" ndikati

"Na mama va Rea kunditi ndiri tsvina


ndinorwara ,ndadzingwa sembwa gogo
mhosva yangu ndeyei?" Kwaiva kunetsa
hangu gogo ko ndivo vaizivavo here , kana
uri munyama wangu wainge wakakurisa.
"Chinyarara muzukuru ndizvo zvazvinoita
pamwe vanenge vagara vaine vavanoda"
vakadaro gogo ndikati "gogo zve rudo
ndageza maoko inini handichadi hangu
moyo wangu wasviba. Zvagara ndiri munhu
wenhamo hazvimbochinje" vakati
"hazvinzwaro muzukuru kana ukati
hauchadi iye wacho ati haachakudi here?"
ndikati "haana hake asi moyo wangu
wasviba gogo. Ndiri kurwadziwa gogo
hamungambozvinzwisisi." Pain yacho
yaisatsanangurika. Ndainge ndodemba kuti
dai ndisina kubvira ndada Rea ingadai
ndakangogwinyirira kumuramba , Asi
hapana zvandaikwanisa kuitawo nekuti
moyo wangu waimuda zvikandipa kuti
ndimude. Ndaive ndatove confused kutadza
kuziva kuti ndoita zvipi. Rea ndaive
ndamuda nemoyo wese chaiwo.

Ndakaenda kunorara kuroom kwangu.


Musoro wakanga wakurwadza ndikanwa
mapiritsi ndikabva ndarara.
Ndakatombochema ndakarara kudaro
ndafunga matukirwo andainge ndaitwa. Mai
ivavo vakaoma moyo kushinga kundiudza
kuti ndiri tsvina ,inga zvakaoma hazvo. Hope
dzakabva dzandibata ndikabva ndarara.
Ndakazomuka nguva dzaenda ndikaenda
kwaiva nagogo ndikawana vachisona
hembe yavo vakati "gara apa Deri
ndimbotaura newe" ndakabva ndagara
vakati "usanyanya kuzvidya moyo muzukuru
wangu ndakatombosanganawo nazvo
izvozvo. Vamwene vaisada kundiona asi
hazvina kuita kuti sekuru vako
vasandida ,vaitondida zvakaoma kudaro
achimira neni pose ini ndichimirawo navo
uye ndichinamata zvekuti
vakazongodzimara vakundifarira. So ndizvo
zvimwezvo nezvako izvi mumwe wako
anokuda muzukuru kana uchiti zverudo
wasiya unenge wawarwadzisa mumwe
wako ndinozviziva hangu kuti zvinorwadza
asi nerimwe zuva zvichanaka hapana
chisingaperi."vakadaro gogo ndikati

"Moyo wangu watsemuka gogo , ndega


ndatoona kuti pana Rea handikodzeri gogo
regai atsvage anoenderana naye uye
anodiwa namai vake. Haisi mhosva yavo
kundituka kwavaita vaonaka kuti handiite
pana Rea." Ndakadaro zvikati "kana wadaro
wakutoshaisha muzukuru hongu
wakatsamwa asi usatungamidza hasha ,uri
munhu anoyemurika muzukuru wangu
kudiwa kwawakaitwa na Rea wacho uyoyo
pane zvaakatoona pauri zvaakafarira
zvakaita kuti akude ndizvo zvinoita rudo
rwacho ,haufani kuda zvakanaka chete
nezvakashata zvacho zvigamuchire Mwari
ndivo vanenge vachiziva zvavari kuzviitira."
vakadaro gogo asi zvaisachinja zvandainzwa.

Ndakazongoti ndazvinzwa gogo but kwaiva


kungodairawo kuti zvidarike. Ndakaswera
nagogo pfungwa dzangu dzisiri pa nzvimbo
dzichingopishana ,apa ndainge ndonzwa
kuneta neta ,ndakazobika sadza remanheru
but handina kudya gogo vakati "muzukuru
idya chikafu usanyanya kufunga
zvakawanda ingozvigamuchire kuti ndizvo
zviripo. Idya tione ungatondiondera pano."
Ndakada kuramba but vakaramba
vachindinyengerera kusvika ndabvuma."
Ndakadya misuwa mitatu ndikanotsveta
sadza racho. Nguva yekurara yakakwana
ndikabva ndaenda kuroom kwangu. Pasina
nguva ndakanzwa knock padoor
ndikaramba ndakarara. Gogo ndivo
vakazomuka kunovhura door hameno aiva
ani. Ndakazonzwa door rangu kuvhurwa
ndikaona........

*MELISSA*

"Wati une mimba Melissa" vakadaro mama


ndikati "Eh mama ndine mimba ya Tonde"
vakabva vadzungudza musoro wavo
ndokunditi ndee kunditarisa vakati "une
shuwa Melissa kuita mimba ya Tonde atori
nemhuri yake dai ari mukomana waigona
kutizira zvino murume wemunhu ,hazvitoiti
unourawa nemukadzi wake."

Vakadaro mama ndikati "handina kuti


ndinoda kutizira tonde ini ,handichatodewo
nezvake." mama vakaita sevapererwa
ndokubata shaya dzavo. Vakaita nguva
vakadaro vakati "unoda kundiuraya nebhipi
Melissa inga wani ndaigara ndichikuudza
kuti siyana na tonde haasi wezera rako.
Ndaizama wani kukuonesa mwanangu zvino
zvawakaita ndezvipi manje ,usandirwadzisa
mwanangu moyo wekubara unorwadza ,
handina kukuvenga asi mashoko ako ndiwo
anodzimba zvekuti ndinombofunga kuti
wakandichinjirwa muchipatara nekuti kuita
kwako Melissa kunorwadza. Wakatadzawo
here kuita hunhu sehwa sisi vako Mona uyu
wakambomunzwa achindiudza mashoko
asina basa anoziva kuti ndiri mai vake
kunyangwe ndikatadza zvakadini haresvi
muromo wake ,kudanana kwandaiita
natonde iyeye waida ndiite seiwo iye
murume wangu anga arovera Harare handi
ndiri mukadzi anenge achidawo murume ,
mondiregererawo ipapo vanangu
ndakakuratidzai hunhu hwakaipa
ndaisafana kudaro."
Vakadaro mama vakutochema , Mona
akabva anovanyararidza ini ndakanga
ndakamira ndakapeta maoko angu. Handina
kuwana zvekuvapindura ndikaramba
ndakanyarara zvikanzi "Saka wanga uchiti
wakuenda uri kuda kuendepi?" vakadaro
mama ndikati "kungodzungaira nenyika
kana kuenda kumba kwagogo" ndakadaro
vakati "hakuna kwaunoenda handina
kumbokudzinga pano" ndikati "baba Shupi
vakati ndinoda kuona mabva pamba pangu"
vakabva vapererwa zvikanzi "asi Melissa
unondirwadzisa zvako saka waivaudza
zvisina basa une kwekuenda here? Unoti
mai vangu vangadawo mutoro unorema
here haungatembi nekumba kwagogo kaa."
Ndakaramba ndakanyarara ndikaenda
mumba kwakurongedza hembe dzangu
dzose. Ndanga ndafunga kubva pamba apa
zvichakanaka. Ndapedza kurongedza
ndakabva ndabuda nebag rangu ndikati
"Mama na Mona ,ini ndakuenda
ndozokuonai nekufamba kwemazuva."
ndakadaro ndakapakata kabag kangu
zvikanzi "mwanangu inga ndati hakuna
kwauri kuenda wani ,baba Shupi vacho
vakauya ndichazama kutaura navo pamwe
vanondinzwisisa." vakadaro mama ndikati
"kwete mama zvepano ndaguta regai
ndiende ndiri kuona kuti zvandakakutadzirai
zvakawanda so ndikambosuduruka maybe
mungasara muchifurwawo nemhepo uye
pamunodya sadza rinonatsa kudzikawo
zvakawanda. Handisi kuramba kuti ndanga
ndiri benzi ndinozviziva ende ndayiita
nekusaziva mama ndaiti ndiri kugona ini
ndisiri kugona ndisingazivi kuti ndiri
kutadzira mama vangu. Zuro uno maive
mazvisungirira nekuda kwemashoko angu
akaipa handichadi zviitike futi , ndinoti sorry
zvekare."
Pandaive ndakufamba Mona akabva ati
"Melissa chanyanya kushata chii chaizvo
inga mama vati usaenda wani ,uye
vakumbirawo ruregero pane zvawaigara
uchipopota pamusoro patonde ,dzora moyo
mwana wamai vangu ini ndokuda
zvakanyanya usaenda tigare namai vedu."
ndikati

"Ndiri kukunzwa Mona handisi kuenda


zvekuti handichadzoki ,ndichazodzoka kana
ndave nemwana" ndakabva ndaenda
handina kuda kuzoterera zvaitaurwa ,
ndaida mama vangu vambofurwa nemhepo
zvekugara ndichivapa stress ndichivashaisa
mufaro ndakanga ndisingachadi. Ndega
ndaitozviona kuti ndiri kutadzira amai vangu
but pfungwa dzangu ndidzo
dzaisafunga ,ndaingofunga zva tonde chete
kwete zvimwe zvose.
Ndakafamba kusvika ku road kwakudzika
nayo road yacho, ndainge ndafunga kuenda
kumba kwa gogo. Paive neka distance
zvekuti paida kukwira mota
ndakatoshingirira kufamba netsoka ,mari
yacho ndakanga ndisina. Ndati fambe
fambe ndakabva ndanzwa kutinhira kwe
mota kumashure kwangu. Hana yangu
yakarova ndichiona iri mota ya tonde
ndichibva ndatomira pakati pe road achibva
asvika pandiri kwakumisa mota. Akaramba
akamira uye ari mumota make. Misodzi
yakabva yaswinya mumaziso angu ikatanga
kuyerera. Ndakaona tonde akubuda
mumota ndikati "wakaita hako
nekunditambisira nguva yangu ndakanga
ndisingazivi kuti une mhuri uchindinyepera
kuti hauna mukadzi ndangoti ndikuzivise
kuti ndine mimba yako."

Ndakadaro achibva ati "wadireiko kutamba


nezvisingatambwe nazvo. Mimba yacho
yakabata rini Melly ende handina
kumbokuramba ini pandaisakufonera
ndainge ndakabirwa foni zvese line so
ndaive ndane new foni neline rimwe so
ndaive ndisisina number dzako. Ko zve
mimba uri kurevesa here." akadaro tonde
achitoona sendiri kutamba ndikati "Ndinayo
saka ungati ndingatamba nemashoko
akadaro here? uri kuti wakarasa foni namai
vangu maitaura sei uye number dzavo
wakadzionepi iwe wakarasa foni"

Akabva apusa zvikanzi "Mai vako


ndakasangana navo kuroad uko vachienda
kuhuni vakandimanikidza kuti tirara tese
ndakanga ndisingadi ini uye handitovadi ,so
uri kuti mimba ndeyangu Melly." ndikati "Eh
tonde" ndichidaira nehasha zvikanzi "Melly
zve mimba andizvizivi waisarara
nevakomana vakawanda here? Ini
zvekupiwa mimba isiri yangu handidi
zvachose dai watsvaga muridzi wemimba
pachipedo" ndakarwadziwa nekutaura kwa
tonde apa ndiye andairara naye , Eric
ndaive ndakapedzisira kurara naye kare so
yaisambova mimba yake , ndikati
"usazvinetsa tonde ndairara nevakomana
vakawanda mwana wacho ndichachengeta
zvangu ndega." Ndakadaro ndakutoenda
ndaitonzwa kurwadziwa but
ndakazvishingisa. "Melly kani imbomira"
akadaro tonde ndikaramba ndichienda. Aive
akandiitisa hake ende ndaive ndisisina basa
nazvo. Ndakatozvitambira kuti ndizvo
zviripo.

Tonde akatevera nemota yake akandibata


achibva anomisa mota mberi kwangu
ndikanzwa hasha. Chaakanga achiri kuda
kwandiri ndakachishaiwa inga aive ati haisi
mimba yake uye handina kumboda kuita
nharo naye.
"Saka uri kuendepi Melly" akadaro tonde
achindibvunza ndikati "kwa gogo vangu"
akabva ati ndipinde mumota
ndikamboramba ndichibva ndazokwira.
Ndaigona kuzosvika kwa gogo makumbo
akurwadza chinhambo chaivepowo. Tonde
akada kuzama kutaura nyaya neni but
ndaingopindura zvima one word ndobva
ndanyarara. Patakasvika pa road
dzaiparadzana akabva amira ipapo akati ari
kutora road yaienda kubasa kwake ndikabva
ndadzika ndikatora road yainanga kumba
kwagogo. Handina kumboda kuti waita basa
ndakanyarara ndikaenda.

Ndakange ndapadhuze hangu zvekuti pama


minutes mashoma ndinenge ndasvika.
Nguva yandakadarika pama shops ndakabva
ndanzwa mheterwa kumashure
ndikacheuka ndokuona kune mukomana
aitondimhanyira ndikabva ndaramba
ndichienda. Akaramba achiridza
muridzo ,paaive ava pedyo ndakabva
ndacheuka ndikazovhunduka ndichiona ari
Eric ,ndakapererwa ndokumira
ndikamudzvokora. Achisvika pandaive
akabva atanga kunyemwerera asi ini ndaive
ndiri serious ndakasunga muromo wangu.

"Ah Melissa kuonekera here uku wanga


warova shaa" akadaro achifemereka sezvo
aive abva kumanya ndikati "Urisei , handina
nguva shaa pane zvandiri kumhanyira mberi
uko" ndakadaro ndisingadi kutaura naye
akati "ngatitaure nyaya tichifamba" akadaro
tikabva tafamba achitaura zvinyaya
zvakangodaro daro achibva azoti "Saka
Melissa wakazoshinga kundiramba here?"
ndikati "ndizvo zvawavinga here?" akati "Eh
ndatofara nekukuona ini ndichiri kuda
nezvako Melissa"ndikati

"Tozotaura pafoni now andisi kuda


zvekutaura Eric" ndakadaro nekuti ndaisada
kutaura nekudhihwa kwandanga ndakaita.
Zvekupedzera vanhu nguva yavo ndaisada
zvangu nekuti hapana munhu
angambondida nemimba yangu so kugara
ndarega kubvuma munhu zviri nane nekuti
paanoziva kuti ndine mimba anobva
atondifuratira.

Eric haana kuita nharo achibva adzokera ,


handina kuzoita nguva yakareba
ndichifamba ndainge ndatosvika kumba
kwagogo. Pavakandiona vakafara zvisingaiti
vakatora bag rangu vakaendesa mumba.
Takakwazisana zvakanaka vakati "nhasi
wafungawo kuuya kwambuya" ndikati "Eh
gogo" zve mimba ndaizovaudza rimwe zuva.
Gogo vangu vaingogara nemukomana
wemombe chete. So ndakasvika asipo
zvichireva kuti aive kumombe. Ndakapiwa
chekudya ndikabva ndadya.
*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/BBU9AKlI9fL1Jx
4P4gXS9f

*POOR SHUPIKAI*
*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 30*

*REA*
Ndainge ndisati ndamborwadziwa
zvekudaro. Pain yandaiva nayo yairwadza
chaizvo ,mama vakanga vandigura kunorira
zvokwadi. Ndakati nditevere babe wangu
asi andina kumubata , speed yacho yaaiva
nayo aitoita seari kudzingirirwa chaiko. Dee
aizondinzwisisawo here veduwe aah
hameno ndakadaro ndichidzokera mumba.
huro yangu yakanga yafuta nehasha kwete
zvekutamba. Ndaida kuzotevera Dee kana
ndambopedzerana nevabereki vangu.

"Imimi handifungi kuti muri vangu imi


nekuti zvamunondiitira pano zvinondibaya
pamoyo. Hamusimi here makati nditsvage
musikana wandinoda ,ndakatsvaga
andinoda wacho nhasi uno mamudzinga
muri kuzama kuita seiko? Makaromba here
vanhu vepano ,mandigumbura mama
chandakakutadzirai chii chaizvo. Ndizvo futi
zvamakaita pana Annah munoda ndiroore
munhu akadiiko? Muchandishuva vanhu
vepano vepano."

Ndakadaro ndakuenda ndokubva ndamiswa.


Ndega ndainzwa kuti huma yangu
yakaunyana nehasha ,mama vangu
ndaitadza kuziva kuti munhu rudzii? Uye
vanodei chaizvo. Dai vasiri mai kaa
ndaigona kuvarova ini"haudero zvee Rea
taura namai vako zvakanaka" vakadaro dad
ndichibva ndadzoka pavari ndikati "kana
muri semi dad nyararai henyu mukadzi
nemurume munozivana imi. Day riya
makataura nyaya yenyu mukatadza
kupedza,chamakatadza kupedzisa chii?
Mumba muno mune secret here?"
ndakadaro ndichinzwa kupera simba. Zvose
zvayiitwa namai vangu zvaindishamisa,
Nekundikatyamadza. Havafani kudaro
mhani kana ndiri mwana wavo chaiwo.
Chavanovavarira chacho handichizive
ini ,kutotadza kuziva zvavanoda zvikanzi
"Rea ,mashoko ako ari kundibaya
pamoyo,taura zvakanaka ndiri mai vako"
vakadaro mhamha ndikanzwa kubhoikana
ndikati "hoo nhai inini ndini
ndisingarwadziwe manje ndine moyo
wedombo handiti" ndainge ndoda kuchema
asi ndakashinga semurume zvikanzi
"musikana wako haite Rea washayawo we
class yako here? Munhu
anotozvitamburirawo hake asina kana
chinhu aah anosvodesa uyo." Ndakadonha
pasi ,pese apa ndakanga ndakamira.
Handina kufenda but simba ndoranga
rashoma. Ndichibva ndamuka ndikaita
zvekugara pasi ndikati

"Maita basa nezvamaita mama kana


muchifunga kuti ndicharoora kimbi
wamunoda imimi aah never ibvai
makanganwa nezvazvo nekuti moyo wangu
uri pana Dee uye watova nemudzi
hazvichaiti kuti ndiudzupure nekuti
ndikaudzupura ndinogona kufa. Iye
wamaona ipapa ndiye anoita kuti hana
yangu irove zvakanyanya anoita kundipusisa
nerudo rwake."

Ndakabva ndafema ,dikita rakanga


rakubuda ndikabva ndapukuta
nemaoko ,ndakatarisa mukadzi nemurume
ndikaona vachitarisana ndikabva ndati
"madire andaiita Annah akatosiyana
nemadire andinoita Dee ,uyu ndinomuda
zvakanyanya ende ndinofa naye mom and
dad muri kundinzwa here? She is beautiful
handi mamuona here plus andina kuda
runako rwake chete ndakada hunhu
hwake ,ane tsika dzinoyemurika kwete vana
kimbi vanongotomuka tomuka kunga
daty........"
Andina kupedza kutaura nekuda kwe
demon rinonzi kimbi ,ainge apinda mumba
akapfeka kajuzi akaisa maoko muhomwe.
Akabva amhoresa dad namom ,mom
ngavatange kunyemwerera zvisina order.
Ndakaramba ndakaisa maziso angu pavari
achibva ada kundimhoresa ndikaramba
ndiri zii-i ndakangomutarisa. Andina kuziva
kuti anga auya kuitei chaizvo. Ndakamirira
kunzwa zvaainge afambira zvikanzi

"Mama na dad muchiona ndauya kudai


hakuna kumira zvakanaka" akadaro kimbi
mama vachibva vati "kwaitei futi hana
dzorova idzi iparure nyaya yacho tinzwe"
vakadaro mama votadza kugarisika. Dad
vaiva vakanyarara ende kumwe kuita kwavo
so vanoita kunga vakadyisa chaiko because
kunyarara kwavo hakusi normal. Handina
chandinoziva hangu kwaiva kufungira
ndisina chokwadi chacho.
"Ndine nhumbu mama ndati ndikuzivisei
ndisati ndadzingwa kumba uko because
vakangoona kuti ndane nhumbu vanogona
kundidzinga ,so ndati mugare muchiziva kuti
moona ndouya nema bag pano
musazoshamisika" ndakaita sendisina
kunzwa zvataura kimbi , ndokubva
ndazvirova rova musoro wangu ndikanzwa
mama voti "Are you sure? Ndeyani?"
Vakadaro vachinyenama nhando zvikanzi
"ndeya Rea mama" moziva ndakaseka
ndisingadi ndichida zvangu. Uyu mwana
aiva ne mhepo dze kumba kwavo
chete ,andina kukwanisa kudavira ndikabva
ndanyarara zvangu zvikanzi "Rea mabasa
ako awa zvawaiti haumudi wani
wakazomubatirei ukapa mwana wevanhu
nhumbu." ndikati "mama mutaure
zvamunoziva manzwa neyi musingadi
kunyarwa ,iwewe kimbi uri kuzvinetsa hako
wakandi druger uchifunga kuti unoburira
manje haubudiriri." akati "andina kumboku
druger ini uri kunyepa Rea wakandibata
wakadhakwa"

Ndakabva ndadana Lizzy achibva auya


ndikati "Lizzy taura nyaya yako" akabva
aramba akanyarara nofunga aitya mama
achibva ati "kimbi wakandipa madrugs
ekuisa mu drink ra Rea" kimbi kakabva
kapusa kwakutanga kutuka Lizzy uya
ndikabva ndamisa noise ndikati "une
dzungu iwewe enda kumuridzi wemimba
ndisati ndakuzvambura izvozvi." Mhamha
vakabva vati "hatichazivi chokwadi iwewe
Lizzy tora ma bag ako ubve pano. Nekuti
iwewe uri kuda kusaidhira Rea zvenhema,
pavakarara vose waivapo here? Hauna
kuuya pano kuti uzoongorora zvepano
wakauya kushanda" ndikati "achienda kupi
hakuna kwaari kuenda. Saka muri kuti
ndakarara na kimbi here? Kimbi wenyu uyu
asi akakudyisai tiende nemi kumasowe
munorutsiswa" mama vakanga vakusvota
chaiko zvikanzi "ayizvee andina zera newe
Rea , mhuri yako iyi akangodzingwa kumba
kwake anouya kugara newe pano atidi
kutemeswa musoro isu." ndakaseka asi
mumoyo maiva nebundu ndikati
"chamusingazivi ndeche kuti ndiri
jaya ,mese hamufungi ndatokuonai" vakati
"uri kutaura neni here" ndikati "ehe sei
muchida kutaura zvamusingazivi ,sei
musingandi nzwiri tsitsi nhai mega hamuoni
kuti manyepo here. Munoita
semakadzungaira chaiko hamuzivi zvamuri ,
ndibudise juju wangu izvozvi muone kuti
ndiri jaya"zvekuti hanzi ndiri kutaura namai
izvo ndakatombozviisa paside ,ndaida
kuvaratidza kuti zvavanoita handizvidi.

"Ita semunhu anofunga Rea ukaita


sewakakura kusina vanhu kaa
ndinokurova." Ndakaridza tsamwa isina
kunzikwa ndikabva ndabata kimbi ndikabva
ndakapa mbama kachiwira pamakumbo
amama , ndichibva ndakasimudza
ndikakakweva kukabudisa panze ,kaichema
asi andina kuzvitarisa. Munhu wepi
asinganyarewo nezvaanoita. Ndakakabudisa
gedhe ndikakapa futi imwe mbama
ndikakasiya kari muvhu ndokudzokera
mumba umo mandakasvika mama
vachipopota zvisina basa.

"Unoda kutiitira ngozi here iwe" vakadaro


ndikati "yeah better ndiite ngozi moti ndiri
munhu here pasi pano. Ndingazoita munhu
papi pacho imi muchindiitira mashura
akadaro,mama mukaona musikana wangu
akasandinzwisisa chete ooh ndinopika
namwari kudai mumba muno munondiona
ende muri kundidzidzisa hunhu hwakakaipa
hwandakanga ndisina."

Ndakabva ndabuda kwakumbofurwa


nemhepo ndiripo panze , ava mai ava
ndaiona sevasiri vangu ini ,sei vachindibata
sendisiri mwana wavo ,pane chaivapo
chakahwanzika asi ndaishaya kuti
ndotangira papi kuti ndizvitsvagurudze.

Ndakadzokera mumba ndikamboenda


kuroom kwangu kunorara asi hope dzacho
dzaiuya sei nekunetseka kwandaiita. Munhu
andakanga ndakutyira ndi Dee wangu
aizozvitorawo sei mumwe wangu. Mama
vaive vandikanyira chaiko ,rudo rwangu
parwanga rwonakidza mama ndokubva
vabvongodza havo. Ndakasimuka
ndokunogeza ,ndaizama kuti ndinzwe zviri
nani. Nguva yandakapedza ndakaenda
kwaiva na dad ndichibva ndati

"Dad saka zvaita mama mazvifarira here"


ndakadaro ndichibvunza vakati "kufarira
kana kusazvifarira waida ndiite sei ,unoda
ndirove amai vako here?" Ndakapererwa
nemhinduro yadad ndikati "dad
ndokumbirawo kuti mundiudze chokwadi
kana pane zviripo ,ndakura ini zvekuti
mungaswera kundihwanzira handisi
mucheche ini" ndakadaro ndichizama
kutaura navo zvakanaka vakati "akuudza
kuti pane chakavanzika ndian? Apana
chiripo apa" ndikati "okay ndanzwa dad ko
musi uya maida kuti chii?" zvikanzi "apana
zvandaida kutaura ini" ava baba ndakada
kuvapa mbama but ndakavanzwira tsitsi
ndichibva ndati

"Dad ,regai ndikuudzei mashoko angu


ekupedzisira. Kuita kwa mama
kunondiratidza kuti pane secret iripo
isingadi kusizikanwa neni manje
ndichazvitsvaga ndikazviwana. Sei
vachinyanya kuda kimbi ndavaudza kuti
handina kurara naye but vari kuita nharo
munomboziva ndiri jaya here dad ,andisati
ndaziva kuti musikana anorarwa naye
sei ,mama ngavandisandidaro chavanoda
kuona ndisina mufaro handiti ,kana
zvikaramba zvakadaro muchasara neimba
yenyu nemukadzi wenyu ndoenda zvangu
kunogara kuimba yangu. Handidi
kushungurudzwa ini ,kutemeswa musoro
nevanhu vanoziva zvavari. Munozviziva imi
asi amudi kutaura. Manje regai ndikuudzei
handi manzwa mama vachiti kimbi achauya
kugara pano ndiye mukadzi wenyu wechi
two iyeye inini handiroori hure ,joki
rapedzwa nenyika. Kana kumboti bufu
zvenyu panyaya iyoyo kuratidza kuti
munoda kimbi handiti ,zvino mucharara
naye bedroom kwenyu."

"Iwe Rea ndi dad vako here vauri kuudza


izvozvo sei usina hunhu rega
kushungurudza dad sandivo ka vakaita kuti
ubate kimbi. Zvino zvawaiti haumude
ameno uchaita sei ,wotodzidzira kuda
mwana wevanhu nekuti Mai vacho vari
kutotarisira zvakanaka pamwana wavo."
mama vakasvika nekungodairira kuita sekuti
ndaitaura navo dad vakati "Mai Dee udza
mwana zviripo" vakadaro dad vachibudisa
misodzi ,mama ndokutanga kubwaira
maziso avo ivo aiva akanamiwa ma
eyeshadow zvikanzi "baba Dee asi
makurwara kani kumuudza chii nhai itai
semunhu mukuru mhani ,ini ndiri kumuudza
wani kuti atore mhuri yake zvisati zvashata
" vakadaro vachivhara nyaya dad ndokuti
"no"

Mama vakanga vasisina kugarisika


vakungogwesha nesofa dad vakati "mwana
akuda kuziva cho..." dad vakamiswa kutaura
zvikanzi "baba Dee munenge mava nehope
imi handei munorara uko" vakadaro mama
vachisimudza dad vachibva vaenda. Saka
dad vaive voda kutaura chokwadi here? Ko
sei mama vavhara vhara nyaya yacho. Oh
isecret iripo saka ndaiva right handiti ,saka
mama ndivo vane secret isingadi kuti
izikanwe here? Ndaizvinetsa pandainge
ndasara ndega. Saka ndodiniko ini kuti
zvose zvibude pachena, ndaive ndane
curiosity yekuda kuziva chaiko. Zvino dad
vacho vaizotaura seiko ivo vachivharidzirwa
namama kudaro.

Ndakaenda ku kitchen ndikaona Lizzy


achichema ndikashaya kuti ari kuchemei ,
ndaenda paaiva ndikamubvunza but haana
kukwanisa kutaura ndikamunyararidza
akachema kusvika shungu dzake dzapera.
Paive anyarara ndikati "waitwa sei?" akabva
aramba akanyarara ndikaramba
ndichimubvunza akati "ndanzi....." Haana
kupedza kutaura aive atogamwa namama
ameno vaive vasvika nguvai zvikanzi
"ndakuti chii iwe ,usada kunzwa mashoko
anobuda mumukanwa mangu uri
kundinzwa here? Sei uchida kuzivisa
zvepamba pasiri pako ndizvo zvawakavinga
here izvozvo" vakadaro mama vachipopota
ndikashaya kuti atadza chii ndikati "muri
kumutuka aita seiko" zvikanzi "Ah iwe
ndisiye apa" ayizve ndikati "saka muri
kumutuka kuti ataurirei kuti akapiwa
madrugs nakimbi kuti aise mudrink rangu
here? Ndizvo zvamuri kumutukira here itai
semunhu mukuru mama , kunyarara
kwandinoita hakusi kupusa ba but ndiri
kuzama kuzvininipisa ,matora dad
mukaenda navo mushure mekunge vati
mutaure zviripo but mabva mavhara nyaya
yacho ,musada kuti ndikuratidzei kuipa
kwangu. Handitode nemashoko angu
manzwa ,ndine zvakawanda zvekutaura but
ndinonyarara ,ndisiyei ndifare inga imi muri
kufara nemurume wenyu wani inini ndini
ndinonzi gara wakatsamwa handiti. Nhasi
mandibhowa kusvika pekupedzisira chaiko
andimbokunyeperei."

"Mamwe mashoko ona kuti uri kutaura nani.


Shuwa ungada kutochinjana mashoko neni
nekuda kwa Lizzy iyeyu here?" vakadaro
ndikati "nyaya ya Lizzy ndiyo yatanga here?
Muri kukanganwa kuti madzinga musikana
wangu here ,kana pane zvamakaita taurai
pachi pedyo ndisati ndazvitsvaga ndega ,asi
makaromba na kimbi kani wamunorwarira
kudaro ,munonyadzisa chaiko zvakafanana
nekuti handina Mai pano" ndakadaro
ndaive ndatsamwa kusvika pekupedzisira
zvikanzi

"Rea!!!" Ndikati

"Eh ndapedza nemi ndimai rudzii vanoita


sevanoroya vasina hanya nemwana wavo ,
kuita sekuti muri stepmother pamwe
mut...." Ndakamiswa na Lizzy akati
"mukoma Rea I know matsamwa chiregai
kuudza mama izvozvo" mama vaive
vobudisa misodzi ,zvoda vari ivo kutaura
zvavanoda kwandiri so chavanochema
chacho ndakachishaya.
"Mama namukoma Rea ndapedza kugadzira
food chiendai munodya" ndikati
"chinodyika here chikafu chacho
ndisingazivi kuti Dee wangu apindana
nedzipi. Ndakuenda hapagariki pano
panoita sepane gona rine nyanga risingadi
kuona ndichifara.

Ndakabva ndatobuda nguva dzakange atova


manheru ndikatora mota yangu kwaku
driver kuenda kumba kwana Dee ,ndaida
kutaura naye maererano nezvainge
zvaiitika ,kusaziva kuti akanga ofungei.
Mudiwa wangu ndomuda kunyangwe
zviome sei ,ndikasamira naye
ndaizomuonepi mumwe munhu akaita sa
Dee. Ndaka driver moyo wangu
uchirwadza ,Mai vangu kuudza musikana
wangu kuti zvitsva uhm zvimwe zvacho
zvinongoda kunyarawo but ivo havana kuda
kunyara.
Ndichisvika ndakapaka mota pagedhe
ndikaona vatovhara door kuratidza kuti
varara asi ndakati handingadzoki ndisina
kutaura naye. Pandaka knocker padoor
gogo ndivo vakabuda
ndikavasweresa ,vakatovhunduka
vachindiona ndikavaudza kuti
ndokumbirawo kuona Dee ,ndakatoti sorry
gogo nekuuya husiku hwakadai. Hope
dzaisamboda ndisina kunzwa zvaari kufunga.

Gogo vakanditi ndipinde mumba


vakandiratidza room yake ndikabva
ndapinda. Achingondiona akabva atanga
kuchema ndikarwadziwa ndikati "babe
waswera sei? Sorry nezvaitika babe wangu
ndanga ndisina kutarisira izvozvo." ndainge
ndagara pabed pake achibva amuka
kwakugara pasi. Ndokubva apukuta misodzi
yake akati "andina chekutaura Rea zvingori
pachena izvi" akadaro nevoice
rekurwadziwa ndikati "babe wangu uri kuti
chii?" Akati "ah Rea unoda nditi chii zvaiitika
hauna kuzviona here handikodzeri kuva
wako Rea ndiri tsvina sekutaura kwaita mai
vako , better utsvage anoenderana newe
Rea moyo wangu waikuda chaizvo asi
ndaona kuti ndakaresva kukuda
kwandakaita." Veduwe mashoko a Dee
akauya kutenderera mumusoro kureva kuti
Dee aiva atondifuratira here? Misodzi
yakada kubuda asi ndakabva ndashinga
ndokuti

"Ndizvo zvawafunga here babe wangu ,


ndizvo zvawaona zvichiita kuti undisiye here
Dee , please Mamoyo wangu ndokuda
unoda ndirarame sei ndisi newe babe ,
dzora moyo mukadzi wangu inga rudo
ndokupa wani , ndinozviziva kuti zvaita mai
vangu hazvina kukufadza kunyangwe ini
zvandirwadza babe asi ndinokuda zvakaoma
kudaro."
"Rea une mukana wakakurisa wekuti
utsvage mumwe musikana anodiwa namai
vako ,hongu ini ndokuda Rea asi zvekuita
hapana." Babe wangu akanga atoshinga
veduwe ndaizorarama sei pasina Dee
ndikati "handina mumwe andichada babe
watadzawo kumira neni here ndinokuda
mumwe wangu ndinzwisisewo kani unoda
kuzobvuma kuti ndinokuda kana ndichinge
ndafa here" akati "moyo wangu uri
kurwadza now Rea handichadi zvekutaura
ini ndakuudza wani kuti nguva yekuti
utsvage mumwe ichiripo" ndikati "waita
basa babe ndinoti uzove nerugare
rwakanaka wandirwadzisa hako babe
handichina zvekutaura ndapererwa hangu"
ndakabva ndakisa ruoko rwake misodzi
yangu ichibva yadonha.ndakatadza kuidzosa
ichibva yabuda, Nguva yandakanga
ndakubuda door Dee achibva andibata
ruoko rwangu ndikati
"Chii babe pane chauchiri kuda here?"
Handina kupukuta misodzi yangu ndaida
kumuratidza kuti ndiri kurwadziwa , achibva
ati "mashoko ako Rea andityisa" ndikati
"kutyisa chii Dee pane pandaresva here?"
Ndakadaro ndichibvunza akati "wati
ndizove nerugare rwakanaka unenge
waindepi?" Ndikati "hapana ndenge ndiri
kumba ,pane chauchada here ndiende"
akabva adzungudza musoro ndikabva
ndabuda ndikasiya ndavhara door rake.
Handina kuziva kuti ndaizodini ini nekuti
Dee ndinomuda chaiko. Stress yandaiva
nayo yairwadza ,ndaizvidya moyo ndichiti
Dee zveshuwa atofunga kundisiya here.

Ndakaenda kumota musoro wangu


uchitenderera kuti ndizive kuti chii chiri
kuitika ndainge ndisingachazivi ini.
Ndichipinda mumota ndakabva ndaisa
musoro wangu pa steering kwakutanga
kuchema. Ukaona zvichinzi murume
haachemi kunyepa kuya unenge usati
warwadziwa. Ndakazomutsa mota
kwakubva ndaenda kumba ,ndakati ndichi
driver kudaro kwakubatwa nekamwe
kadzungu kandisina kunzwisisa,road
ndainge ndisingachaivoni ndikazonzwa
ndabondera but andina kuziva kuti
ndabondera pai , ndakabva ndatanga kuona
rima ndokubva ndatonyarara.

*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/CyDcA71MNZp
APP2PnlFqjG
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536
*Chapter 31*

*DELIVERANCE*

Ndakaona ari Rea moyo wangu ukatangidza


futi kurwadza ndikabva ndachema. Rea
ndaimuda ini asi ndakashaya kuti ndodini
nekuti mashoko amai vake aindibaya baya
moyo wangu. Rea ndakamuudzawo
zvandaifunga asi mashoko ake akandirovesa
nehana ,"ndigove nerugare rwakanaka" sei
aitaura sekuti akuda kuenda kuvafi. Ipapo
ndakabatikana nekutaura
kwake ,ndakambofunga kuda kumuudza
kuti ndinokuda Rea but mashoko amai
vacho aibva atenderera mubazha rangu. But
gogo vaive vandiudza kuti ndimire
nemumwe wangu zvino zvandaive ndoudza
Rea ameno zvaibvepiko nhai. Kutsamwa
ndiko kwakaita ndidaro mumwe wangu
ndikabva ndademba kutadza kwandaive
ndaita. Ko iye anga adii hake
ndaigomutsamwira kudaro. Pandakafunga
mashoko aRea ekuti ,"Mamoyo wangu
ndinokuda unoda ndirarame sei ndisinewe
babe" aiva mashoko ake ekundinyengerera
ndakabva ndachema veduwe
ndikazvidonhedza pa floor kwakuzhamba
ndiripo.

Saka Rea aizodzoka here kwandiri?


Ndakazvibvunza ndega but answer andina
kuiwana , andina kurara zuva iri
ndichingonetseka chete. Kwaari ikoko
handizivi aizvifambisawo sei ,ndakazorara
nguva dzaenda but ndaingoti rare rare
ndotomuka. Ndaitombomuka ndichitarisa
kuti Rea haapo here pa side pangu but
aingova machira chete. Kunze kwakazoedza
ndatambura ndichingofunga Rea chete.
Ndakagadzira pabed ndikabva ndaenda
kunogeza kuti ndiwane kuita basa
ndakachena. Ndichipedza kugeza
ndakanozora mafuta kwakutsvaga hembe
dzekupfeka ndikabva ndafunga kumbopfeka
trouse. Kubva zvandakabva ku church paya
handina kuzombopfeka trouse , ndakapfeka
netop yacho yered ndokubva ndaenda kuno
cleaner mumba.

Ndichipedza kucleaner ndakabika mazai


ekuisa pachingwa. Ndakabva ndanzwa fon
yangu ku ringer iri muhomwe ye trouse
ndokubva ndaivhomora hangu
ndichitoshaya kuti ndian ,pandakatarisa
number dzacho ndakaona dziri new
ndichibva ndaidzima ndisingadi
zvekunetswa. Apa ndainge ndatofunga kuti
Rea ,asi aisava iye hake. Hapana kuita nguva
yakareba yakabva yarira futi ndikanzwa
kunyangadzwa ndokubva ndadzvanya green
ndokunyarara zvangu ndokumirira munhu
wacho kuti ataure. Akambotora nguva ari zii
ndokubva zvazonzi

"Hello muri kutaura na doctor Jiso"

Ndakabvisa foni panzeve ndokubva


ndanyarara ndichifunga kuti doctor ava vari
kudei , kuti vakanga vaita wrong number
here ndokubva ndati

"Sorry doctor Jiso maita wrong number"

Ndakadaro ndichikata foni yacho


ndokuidzorera muhomwe. Vaidei nhai
ndakazvishaiwa , yakabva yarira futi
ndokuvhomora nehasha inga ndaive
ndavaudza kuti maita wrong number
wani ,ndakadaira ndokubva ndanyarara
zvikanzi

"Matsamweiko sisi zvamunenge ma


dropper call musati manzwa
zvandakufonerai wani"ndikati

"Handikuzivei doctor" vakati

"Ehe hatizivane. Ndaida kukuudzai kuti kune


murwere wenyu ari kuno" akadaro doctor
ndikati

"Murwere upiko munhu wamuri kutaura


naye muri kumuziva here" ndakadaro
nditori confused kushaya kuti doctor Jiso
ava vari kutaura nezvei zvikanzi

"Rea Chimiro ari pa comma kutaura kudai


akaita accident nezuro manheru , number
dzenyu tadziona mufoni yake..............."
Foni yakati gwedere kudonha pasi
ndokubva ndavhura maziso , ndainzwa kuti
ndiri kupera simba zvishoma nezvishoma.
Rea kuita accident ,ko chii chakamboitika
kusvika pakuita accident , ndakabva
ndafunga mashoko andakamuudza
ndokubva ndazvishoora because anenge
akanga ane stress. Ndakarwadziwa veduwe
kuti ndakaitei ingadai ndakamuudza
zvakanaka pasina zvose izvi. Ndakatadza
hangu shungu ndidzo dzaindituma kutaura
zvakadaro.

"Iwe Deri chiiko chiri kunhuwa kunga


chatsva" ndakavhunduka ndiri
mundangariro dzangu ndega ndokuvhura
pani yemazai yaiva pastove kwakuona
mazai ave tsitso , ndakanga ndatokanganwa
kuti ndiri kubika nekuda kwezvandanga
ndaudzwa na doctor. "Chiiko chatsva"
vakadaro futi gogo ndikati "ndapisa mazai"
zvikanzi "uchiitei imba yese kuzara
munhuwi wekutsva" ndikati "gogo mashoko
andanzwa pafoni ndiwo andivhundusa
hanzi Rea akaita accident madeko atori
kuchipata pa comma."

Gogo vakabva vakanuka ndokubvunza kuti


"ipo paakauya pano akudzokera ndipo
paakaita accident here?" vakabvunza gogo
ndikati "andizivi gogo andina kuzozvibvunza
ini" ndakadaro gogo vachibva vati tende
kugara pasi vachizvijata zvikanzi "usati
hauzivi zvee kumwe kwaibva ndekupi kunze
kwe pano ,madeko wakataura naye
zvakanaka here Deri" vakadaro gogo ndikati
"kwete gogo atina kuwirirana" vakati
"wakamuudza kuti chii?" Ndikati
"ndakamuti atsvage mumwe musikana
ndakatadza gogo ndaive ndakatsamwa
zvese neshungu dzekurwadziwa."

Gogo vakabva vasimuka chinyararire


kwakubuda panze ndikasara ndichipererwa ,
hameno vaive vafungeiko gogo. Ndakabva
ndageza pani iya yaiva yatsvira
mazai ,ndakazonzwa ndanamwa nayo
shamhu kumagadziko kwangu ndikakwenya
ndichimhanya kunomira ku door re
bedroom yavo. "Kana usati wakamborohwa
neni nhasi ndinokurova chaizvo. Handina
kukuudza here nezuro waive wakanganwa
nguvai mashoko angu. Unoda kutiitira
zvimwe iwe pamwe isitiresi yakaita aite
asidhendi ,unodaro neiko Deri unoda
kuzomuwanepi munhu anokuda
zvakadaro ,shuwa mwana wevanhu akabva
kumba kwavo husiku achida kutaura newe
handi moyo wake kurwadza here kuti
hangarari asina kukuona nekuda
kwezvawanga waitwa. Nhasi ndinoda
kukubvisa kachikudu kari mumusoro mako
kasinganzwisisi unoti ndiri benzi here
ndaikuudza mashoko anovaka."
Ndakabva ndanzi shamhu kumagaro
ndokubva ndatanga kuchema ,yaisarwadza
hayo shamhu yacho asi kuti kwaitove
kuyema. Gogo vakanga vatsamwa zvavasati
vakamboita.

"Buda izvozvi uyende kuchipatara ikoko


unoona mumwe wako ,ende Deri haunzwi
zvokwadi waimutsamwira ndiye akanga aita
seivo ,waida arove mai vake here usadaro
muzukuru sei uchirwadzisa kudaro ita
uyende." Vakadaro gogo ndikaenda kuroom
kwangu kwakupukuta kumeso ndikabva
ndazora mafuta. Ndakatora ka handbag
kangu kwakuisa mari , ndakaenda ku
kitchen ndikatora foni yangu yaive yadonha
ndikaona yangotsemuka kukona. Ndakaona
yapinda message ndikaivhura kwakuona
vari doctor vaya vakanga vaisa message
yekundiudza chipatara chaiva na Rea.
"Gogo , ndakuenda" ndakadaro zvikanzi
"ndokuona wadzoka" ndakabva ndabuda
ndikaenda. Ndakaenda kunokwira tax
misodzi iri pamatama. Ndaingoti neche
mumoyo Rea usandisiya ndinokuda. Tax
ndakaiona ndikabva ndakwira ,Hana yangu
yaingorova , kutya chaiko ndaingoti dai
ndikasvika ari nane hake. Driver akazoita
zvekutoti "nhai sisi amuchadi kudzika kani"
ndokubva ndavhunduka ndikati "sorry
mukoma kutovarairwa hangu , maita basa"
ndakadaro ndichimupa mari zvikanzi "ko
zvamunenge maichema zvee sisi" ndikati
"maziso kani bhudhi ari kurwadza aya"
ndakadaro ndichinyepa zvikanzi "anoita
right sisi" akadaro ndichibva ndaenda.

Ndichisvika pachipatara chacho ndakabva


ndabvunza ndikaratidzwa kwaaiva kwacho.
Chandakanga ndotya ndeche kuoonana
nevabereki vake. Ndakanga ndisingachadi
kuvaona ini. Pandakapinda mukati
ndakabva ndabvunzwa nevamwe doctor
"ndimi andafonera here?" vakadaro ndikati
"ehe ndini" vakabva vati nditevere ndikabva
ndatevera mumashure mavo. Kungoona
kwandakaita Rea ndakabva ndatanga
kuchema ,moyo wangu uchibva waenda
kure chaiko. Aive akaiswa bandage
mumusoro ne plaster raiva paruoko. Aive
akarara ndikati "anomuka nguvai doctor"
ndakadaro ndichibvunza zvikanzi "uhm
handisati ndaziva, musoro wake ndiwo
wanyanya kukuvara so pakaipa. Ruoko
rwaita serwa guka anenge akanga asina
kuisa seat belt"

Ndakapotsa padiki ndadonha nekuda


kwezvandainzwa. Zvose izvi zvakakonzerwa
neni ndisina katanga ndafunga. Asi pane
pandaidiniwo nekurwadziwa kwandaiitawo.
Ndikati "ko vabereki vake vambouya here?"
ndakabvunza zvikanzi "hatina kuona
number dzacho ndazama kutarisa asi
andina kudziona ,dzenyu ndidzo dzandaona
dzaiva kuma calls dzakanzi honey uye
ndidzo dzega dzaiva kuma calls kwacho."
vakadaro doctor, ndakaswedera pana Rea
aitoita seakarara hake misodzi ikatanga
kubuda.

"Akabondera sei?" ndakabvunza zvikanzi


"ipapo handizive hangu kuti akabondera pai
pacho." Doctor vakabva vambobuda
ndikasara ndiri ndega , ndakamubata ruoko
rwake rwakanga rusina plaster ndokubva
ndati "sorry dady handina kuziva kuti ndiko
kwazvichasvika , dzaiva shungu mumwe
wangu ndireregerewo ndinokuda nemoyo
wese ,usandisiya Rea dzoka tidanane
sezvataingoita handidi kukushaya."
Ndakazomira kutaura ndaona doctor
vachiuya. Doctor vakazoti ndidzokere hangu
kumba ndozodzoka mangwana, ndakabva
ndabuda kwakuenda. Moyo waida kutorara
naye muchipatara imomo but
ndakazongoshinga kwakudzokera kumba.

Ndakakwira mota ndichibva ndaenda,


ndichisvika ndakaudzawo gogo zvaivapo ,asi
vakaratidza kubatikana zvakanyanya. Zuva
rakavira ndikabika asi andina kudya
ndichifunga Rea wangu ,sadza racho
raisambodzika iye mumwe wangu ari
muchipatara. Gogo vakadya ndikabva
ndatosuka mandiro. Ndapedza gogo
vakandidana ndichibva ndaenda kwavaiva.
zvikanzi "Deri mashoko andinenge
ndichikuudza ndeedzidziso haasi edambe
muzukuru dai uri mumwe waterera
zvandinotaura. Unoda kuzoudziwa nani
mumwe asiri ini ,terera zvandinotaura
muzukuru dai mukomana wako uyoyo
asingaiti dai ndakatokuudza kare kuti siyana
naye ,zvino munhu ane rudo
rwandakatanga kuona nezuva rimwe usati
watomboona kuti anokuda. Ndinoda
kuzonzwa uchiti wakuwirirana naye uri
kundinzwa here?"

"Ehe gogo ndiri kukunzwai ,ipapo


ndireregereiwo gogo kwaiva kutsamwa
kuya hapana zvandaikwanisawo kuita ,
ndega ndiri kutoona kuti ndakatadza nekuti
haana kumbondituka" ndakadaro zvikanzi
"uyiite munhu kwaye kuita asidhendi ikoko
kurwadziwa"

Takataura zvakawanda nagogo


vachinditsiura tikabva taparadzana
ndikanorara. Ndakazvambarara pabed
ndikatanga kubaya foni yangu ,mufoni
yangu maisava kana nepic ra Rea rekuti
ndingayeverwawo ndakaritarisa,ndakabva
ndaenda ku app ndokuverenga hangu ma
message andaimbotaura naye ndikabva
ndazotsveta foni yacho ndikarara ,Asi hope
adzina kubata kwaingova kuzorodza nyama
chete. Handizivi kuti ndakazorara
nguvai ,ndakazomutswa ne call apa ndaive
ne hope dzisingaiti ndikabva ndadaira
ndichitsukuta maziso angu ,apa
ndichishama n'ai kuratidza kuti hope dzanga
dzisati dzapera.

"Hello" ndakadaro ndisina kutarisa kuti


ndian afona zvikanzi

"Morning ,akazomuka husiku"


pandakatarisa number ndakaona ayizve
ndedza doctor ndokubva ndaita ruzha
rwekufara ndichikata foni
yacho,ndakakandira kajira kure kwakadaro
uko kwakubuda muroom mangu
ndokunanga kuroom kwa gogo. zvikanzi
"hanziiko kumhanya kudaro kuita seuri
kumhanyirirwa"ndikati "hanzi amuka gogo
ndoda kutoenda kuchipatara" ndakadaro
ndisingagoni nekumira , zvikanzi "oh Mwari
makanaka bhipi yangu yanga yoda
kutokwira chaiko" vakadaro gogo vachifara
ndikabva ndaenda kunogeza. Ko
ndakambomiramo here ndainge
ndatopedza nenguva diki diki.
Ndakanopfeka hembe dzakachena
ndikatooneka gogo ndikaenda. Chero kudya
andina, kana kuita basa andina futi
ndakangobuda kwakusiya zvakadaro.
Ndaive nemufaro wakanyanya. Ndakasvika
kuchipatara ndikananga straight kwaaiva.
Ndakaona doctor vasimo angori ega but
aive asina kusvinura pamwe akanga akarara
hake.

Ndakatanga kumubata bata kumeso kwake


achibva asvinura maziso ake ,paakaona kuti
ndini akabva ati "Dee"
ndakangonyemwerera ndikati "uri kunzwa
sei Rea" ndakabvunza ndine mufaro
kusaziva iye wacho kuti aifarawo here kana
kuti akanga akanditsamwira. "ndiri bho ko
wauya kuitei?" Moziva ndakapusa
ndikapotsa padiki ndadonhedza zvimusodzi.
Saka zvaireva kuti Rea akange
akanditsamwira ndikati "ndauya kuona
iwe ,ungabva wandibvunzawo kudaro
here?" Ndakadaro ndatodonhedza chiso
changu , mufaro uya ndakanga ndisisina
akati "sorry" ndizvo zvaakwanisa kudavira
chete,izvi zvakaita kuti ndimubvunze kuti "
Rea asi wakanditsamwira kani"

Ndakadaro achibva anditi ndee , akatora


nguva akanditarisa akati "no ,kuti waita sei
Dee" kutaura kwa Rea kwakandipedza
zvisimba ndikati "kudavira kwako Rea ndiko
kuri kundiratidza kuti wakabatikana"
ndakadaro achibva ati "Dee imbomira
izvozvo musoro wangu uri kurwadza"
ndakabva ndasiya kumubvunza zvakawanda
wanda semunhu akanga achiri
mumarwadzo. Doctor vakauya vakaita
zvavakaita vachibva vabuda kwakuenda.
Rea haana kuda kumbondibvunza kana kuti
varisei gogo sezvaanosiita zviya , ndega
ndakatoona kuti ndakatsamwirwa. Hameno
aizokasira kundiregerera here , nguva yekuti
ndiende kumba yakakwana ndikati
"ndakuenda kumba Rea ,ndouya
ndichikuona mangwana" ndakadaro akati
"thank you Dee" ndizvo zvega
zvaakakwanisa kuita ndikabva ndabuda
kuenda , kutaura chokwadi ndakanga
ndasuwa ndaiti achandiudza kuti anondida
but haana kumbotaura nezvazvo kana
kunditi babe hake haana ndakafunga kuti
akachabatikana nezvandakamuudza.

Ndakasvika kumba ndikasweresa gogo ,


ndakabika ndikabva ndapedza. Ndadyawo
zuva iri sezvo ndakanga ndatove nemazuva
maviri ndisingadyi. "Saka arisei?"
vakabvunza gogo ndikati "Ah aribho hake"
ndakadaro vakati "uri kuti ah kuita sei?"
Ndikati "Akanditsamwira gogo ameno
achandiregerera rini" ndakadaro vakati
"achakuregera achiri kurwadziwa iwewe
usarega kunomuona achachinja hake
moyo."vakadaro gogo ndikabvumirawo.

Mangwana acho ndakamuka kuita basa rese


ndichibva ndageza ndaida kunoona
Rea ,ndichipedza ndakanopfeka trouse
netop chaiva nezvimaoko zvidiki , ndichibva
ndaoneka gogo kwakubuda kuenda.
Ndakati ndichifamba kuenda kuma tax
ndakabva ndanzwa kamuridzo kumashure
kwangu. Handina kucheuka ndokuramba
ndichienda , pandakaona munhu wacho ava
paside pangu ndakabva ndamuziva. Yaive
friend ya Rea asi ndakanga ndisingachazivi
zita rake ,"murisei kani gulez kudada here?"
Akadaro achindimhoresa , handina
kuvhunduka hangu paakanditi gulez maybe
kwaiva kundiremekedza hake ndikati "ndiri
right zvangu hameno iwe" zvikanzi
"ndiribho mandiziva here?" Akadaro
achinyemwerera ndikabva ndati "yeah but
zita ndiro randakanganwa hangu" taitaura
tichifamba sezvo ndaisada kunonoka
kusvika kuchipatara akati "zita ndi Dudu ,ko
apa muri kuendepi" ndikati "kuchipatara
ndiri kunoona Rea haasi kunzwa zvakanaka"
ndakadaro achibva amira zvikanzi "ari
kunzwei" ndikati "muviri wese ,bye bye
ndozokuona ndanonoka" ndakadaro
ndakutofambisa akadaidzira kuti "mira
ndikuperekedze" andina kumira
ndokuramba ndichienda.

Pasina nguva ndakabva ndaona mota


ndikabva ndakwira kwakuenda , ndakabva
ndafunga kutengera Rea chikafu but
ndainge ndatokwira mota zvakanga
zvisingachaiti. Ndichisvika ndakamuona
akagara ,paakandiona haana kumbondi
nyemwereraro. Ndakanga ndotozvinetsa
mupfungwa nekuda kwa Rea , ndakabva
ndati "wamuka sei Rea" ndakanga ndagara
pa side pake akati "ndiri nane but andisati
nda right." Akadaro asiri kumbonyenamawo
aitova zvake serious, ndakangoti achiri
mukurwadziwa chete andina kuda kufunga
zvakawanda.

"Ko unozvinetserei nekuuya kuno" akadaro


Rea ndikanzwa kurwadziwa veduwe
aisaonawo kuti ndiri kumuda here ndikati
"Asi ndiri kuresva kani Rea , sorry kana
usingazvidi" ndakadaro ndoda
kuchema ,misodzi yacho yakabva yaita
manyawi ikabuda akati "don't cry Dee
hauna kumbotadza wagona chaiko"
akadaro achibata musana wangu ndikabva
ndapukuta misodzi yangu.

Doctor vakauya vakabva vati "munogona


henyu kuenda kumba but munopota
muchiuya kuno asi kana muna doctor
wenyu ngazopota achikutarisai" vakadaro
doctor Rea akati "thank you doctor."
Takabva tabuda but aifamba zvishoma
kuratidza kuti ari kurwadziwa. Ndakabva
ndamubata ruoko rwake tikabva taenda.
Mota yake hameno yaivepi andina
kumbobvunza zvangu.

"Ngatimire pano pana driver ari kuuya


kutitora." Takabva tagara tikamirira driver
wacho. Hapana kuita nguva akanga atouya
driver wacho. Takakwira tichibva taenda.
Takananga kumba kwake ameno sei asina
kuda kuenda kumba kune vabereki.
Takasvika ndichibva ndamubata ruoko
tikapinda zvedu mumba. Akasvika
nekutorara pamubhedha ndikabva
ndagarawo pabed pacho ndikati "ruoko
harusi kunyanya kurwadza here" akati "ruri
kurwadza mbichana" ndikati "ndinotenga
chikafu here" akati "unoda kunotenga kupi
kwaunoziva kuno,enda unobika kitchen"
ndakabva ndaenda kunobika ndikamusiya
akarara. Kumba ndaisada kuenda ndichisiya
Rea. Ndakabva ndatora foni yangu
ndikafonera gogo. Vakakasira kudaira
ndikati

"Gogo maswera sei" vakati

"Ndaswera hangu arisei muzukuru


wangu ,zviri kuchinja here?" Ndikati

"Ari kurwadziwa gogo atobudiswa


muchipatara nditori naye kumba kwake
haasi kugona kufamba uyu apa aramba
kuenda kunana mama vacho so moyo
warwadza kumusiya ega gogo" ndakadaro
ndichiwedzerera kunyepa vakati

"Zvakanaka muzukuru murare zvakanaka


ikoko andidi zvisina basa" ndikati

"Okay gogo regai ndibikire muzukuru


wenyu"
Ndakabva ndakata foni ndokubika kasadza
nenyama yacho. Ndakapedza ndikapakura
ndikaisa plate yake mutray ndikaendesa
kwaaiva. Ndakatsveta ndikadzokera chi dish
chekugezera maoko , "ndapedza kubika
chimuka udye" ndakadaro ndichimumutsa ,
akanga akutorara. Ruoko rwakanga
rwakakuvara ndere kwa right saka
aisakwanisa kudya ega ndikageza maoko
angu "ndikudyise here Rea" akati "ehe"
ndakabva ndatanga kumudyisa but haana
kudya zvakawanda akanga atoti ndaguta.
Ndakazodyawo zvaakanga asiya achibva ati
"asi hausi kumba"

"Eh handisi kuenda" ndakamudavira akati


"why" ndikati "handiti hausi kunzwa
zvakanaka here Rea ndikakusiya wakadai
zvingabuda here?" akabva anyarara.
Zvakanga zvoita Rea zvaindibaya baya
chaiko.
"Ndiregererewo Rea ndakatadza hangu
ndaisaziva kuti ndikwo kwazvichasvika ,
pfungwa dzangu dzakange dzisina
kugadzikana musi uya ndakanga ndine
shungu dzakanyanya uye ndichirwadziwa.
Sorry zvako moyo wangu kurwadza nekuita
kwako Rea i know ndakanganisa zvisingaiti
please forgive me andichazviiti futi
ndinopika namai vangu vakandisiya
vachienda kusingadzokwi."

Ndakadaro ndakamutarisa iye wacho


akanga akanditarisawo but hapana kana
chaakataura aingova zii seasipo hake.
"Wandinzwa here Rea ndiregerewo unoda
ndicheme here kuti uone kuti ndiri
kurwadziwa" ndakadaro futi but akaramba
akanyarara , ziso rake raingova pandiri asiri
kana kupipa. Ndainge ndakubhoikana ini
pamwe akanga asingadi nezvangu hake
ndokubva ndatora kachi handbag kangu
kwakukapakata ndikabuda mumba make
ndisina kumuoneka. Ndakanga ndatofunga
kuenda kumba husiku ihoho. Ndakati ndava
kugedhe ndokubva ndanzwa achichema
ndakamboda kusazviterera asi moyo
wakabva warwadza futi ndikadzoka mumba
ndichimhanya. Hameno akanga akuchemei
futi.

*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Kiyu3VI1xwp2A
RMEa54pIK
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*Chapter 32*
*REA*

Kubuda kwakaita Dee achienda ndakabva


ndasimuka ndichiti ndimutevere ndokubva
ndadonha pasi ndikazvidzimbira ruoko
rwangu. Ndakarwadziwa ndokubva
ndachema apa musoro wakanga woita
sewakunyanya kurwadza. Pandaive
ndosimuka ndipo pakabva pasvika Dee
achibva andisimudza ndikakwira pa bed.
Zvese zvandaiita ndichimunyararira dzaiva
shungu ,kurwadziwa chaiko kuti Dee aiva
afungei kusvika pakuti haachadi nezvangu.
Pane pandaitadza here rudo ndaimupa
wani ,zvese ndichimuitira semusikana
wangu asi nhasi uno aive otadza kumira
neni. Hongu vabereki vangu vakanga vaita
zvisina kunaka but aisafana kunditsamwira
mhani. Dai aizivawo kuti nevabereki vangu
vacho hatisi kuwirirana aisadaro hake.
Kuenda naye kumba kunoti aonokwe nana
mama kwaaiva kuzama kuti ndifambe
negwara rakanaka ,uye vazivewo muroora
wavo.

Zvese izvi ndaizvifunga ndigere hangu


ndakatarisa Dee uyo aive aita kusuwa
pachiso chake achiita seanozvidya pfungwa.
Ndakanzwa tsitsi because anenge anga
akuzvinetsa nekuda kwekunyarara
kwandayiita ,chandaida kuona ndeche kuti
Dee ari serious neni here zvino akanga
akutoramwa kuda kudzokera kumba hake.
Apa ini nyama dzangu dzairwadza kuti
ndisare ndega zvaisatomboita. Ndaisada
kuti vabereki vangu vazive nezve kuita
accident kwandakaita. Nguva
yandakakosora ndakabva ndanzwa musoro
wangu kurwadza ndikabva ndashatisa
kumeso. Ndakaona Dee akukwira pabed
zvikanzi "musoro uri kurwadza here
Rea ,zviri kunyanya kudii." Dee aindida hake
asi hasha ndidzo
dzakamuwandira ,anokasira kutsamwa
munhu wacho ndikati "ndakufa ini"
ndakadaro ndichida kuona zvaanoita
ndokubva ati "kwete kani unoda ndisare
nani ,uri kundityisa Rea ndakufonera gogo
vauye." Yowe ndakasekera mumoyo hangu ,
akanga akutochema Dee wangu achibva
atora foni yake ndikati "no usanetsa
gogo ,rega ndife Dee kana ndazorora
unondiisa mugomba riri paseri apo wobva
wafushira handiti ,ndinokushuvira kuti
uzowane mukomana anokuda" ndakaita
sendawedzera kuti acheme kwacho. Akanga
achibata musoro wake achishaiwa zvekuita
ndokuramba akanditarisa zviya zvekuti une
shuwa here Rea. Ndakabva ndaona kuti
ndinodiwa hangu ndikati
"Huya pano" ndakadaro achibva auya
kwakugara paside pangu ndikati "uri
kuchemei" zvikanzi "I love you Rea ukafa
unoda ndisare nani inga ndati sorry
wani"akadaro achipukuta misodzi nehembe
yake ndikabva ndati "ndiri kutamba babe
handimbofe ndichikusiya. Ndinokuda babe
usazotsamwe zvekusvika pakunditi
hauchandidi inga unozviziva wani kuti Rea
anokuda zvekurevesa." ndakadaro
ndichipuruzira musana wake achibva anditi
ndee mumaziso zvikanzi "ndainge ndofunga
kuti hauchandidi ,haa handichambozviiti
futi Rea waita basa nekundiudza mashoko
iwawo." Akadaro achifara mwana wevanhu
achibva atondipa ka tsvodi pamuromo ,
nguva yekurara yakakwana ndakanga
ndonzwa hope ndikati "ngatirare zvedu
ndakunzwa hope" ndakadaro zvikanzi
"ndakunorara pasi ndingazokudzimbira
ndine mararo" akadaro ndikati "kwete rara
pano mubhedha wakakura uyu unoda
kurara pasi uchipindwa nechando hazviiti
babe" akaramba ndikamusiyawo achirara
pasi pacho ndikabva ndarara. Zuva iri
handina kukwanisa kunamata ndokubva
ndatorara ndakadaro. Ndakazopepuka
ndichinzwa kubatwa batwa kumeso kwangu
ndikaziva kuti ndi Dee , ndakaramba
ndakatsinzinya maziso angu ndikanzwa
ndakubviswa jira randaive ndakafuga.

Ndokubva ndanzwa ruoko rwangu


ruchibatwa zvishoma shoma ,pamwe aida
kuongorora kukuvara kwandakaita ,apa
aifunga achiti ndakarara hake ini ndakanga
ndisina. Apedza akabva andifukidza jira
ndikazonzwa aku kitchen achigwederedza
mandiro. Pasina nguva akanga atondivigira
porridge raiva nedovi. Ndakanga
ndisingarifariri but ndakangodya kuti
ndifadze Dee because akanga aita chido
chekundibikira. Ndakaita zvekudyiswa apa
achindipakisa semwana mudiki ,aiti akatora
porridge ne spoon obva adya mbichana
ozondidyisa. Haa Dee ane rudo mhani
handizivi ndoita zvekumudii mwana iyeyu.

Ndakadya ndikaguta achibva azopedzisa


rakanga rasara. Hondo yakanga yava
pakuda kugeza apa ko ndaizogeza sei apa
ndaitonzwa kurukutika chaiko ,kunzwa
kunga ndakapondwa nyama dzangu. Dee
akauya akati "Saka unogeza sei Rea"
ndakamutarisa ndikati "handikwanisi
kugeza babe ,dai ruoko rwangu
rusingarwadze ndaigeza zvino haruna simba
but hapana pakakuvara handisi kuziva kuti
chii" ndaitoda andigezese zvekunyara
kwake ndezvimwe izvo.akati "Saka ndoita
sei , haruna simba sei irwo rusina
kukuvara." ndikati "handizivi babe but
muviri wese uri kutorwadza zvawo" akabva
agara pasi ndikati "babe ndigezese unoda
ndirare futi ndisina kugeza here." Achibva
ati "Aahhh" achibata muromo wake. Ndaive
ndatopedza naye so nyadzi dzake idzodzo
dzaizopera andigezesa chete.

"Hausi kuda" ndakadaro akati "ndinotya"


ndikati "unotya chii babe inga
ndakambokugez...." ndakabva ndamira
kutaura iye achibva anditarisa akati "wati
kudiiko" ndikati "hapana ndiri kuda kugeza
ini ,kana uri wangu chaiye hapana
chekunyara apa handi ndiri kurwara here
unoda ndigezeswe nani." Dee aitoratidza
zvake kutya ,chaisada kuona ndi juju wangu
zvino ndaitoda kuti amuone ko handi
ndezvake here ndaitoda aone kuti andina
kuremara.

Akaramba akanyarara akatsikitsira huso


hwake ,ndakamboitawonguva
ndakanyarara ndikazoti "hausi musikana
wangu here Dee" i said ndokubva ati "ndiri
musikana wako Rea" akadaro achiridza
zvikunwe zvake ndikati "nditarisewo"
akabva anditarisa but ndaitoona kuti ari
kunyara ,nyadzi dzacho ndaishaya kuti dziri
kubvepi iye akamboshinga kuda kundipa
zvinhu ,ndikati "uri musikana wangu ende
hazvimbochinje babe ndiwe wandicharoora
so usanyare hako" akati "ndiri kunyara"
ndikati "ndiudze chauri kunyara chacho"
akabva anyarara ,ndakambofunga kuda
kunogeza ndega neruoko rwacho rusina
kukuvara but ndakaramba ndichishingirira
kumunyengerera achibva azobvuma.
Akandisimudza tikaenda ku
bathroom.ndakabviswa hembe dzese
ndikasara nechi boxer short chete. Ipapo
akabva atarisa side asingadi kunditarisa
ndikati "ndiri kunzwa chando" ndaida
akasire kundigezesa achibva atanga
kundigezesa kumeso,achipedza akatora
dombo kwakutanga kundikwesha makumbo
angu. Akapedza kundigezesa akati
"ndapedza" ndikati "hauna pane pawasiya"
akati "papi" ndikati "apa unoda pagezwe
nani."

Ndakamuona achitarisa side ndikati


"pedzisa babe ndakupindwa nechando ini"
ndaida kuona hangu zvaanoita akabva
aramba hake ndikabva ndageza ndega
ndikakurura bhurugwa racho
ndikati"ndibate ndiende mumba" ndakanga
ndakutoyema chaiko ,akandibata
ndikanogara pabed kwakupfeka bhurugwa
akabva azondizora mafuta ndikati "thanks
babe saka wafa here" akatanga ku smiler ,
ndakabva ndatorara kwakutobatirwa
nehope ndikazomuka ndakunzwa nyama
dzangu dzisingacharwadzi. Zuva iri ndaida
kuti Dee anorara kumba kuna gogo ,"nhasi
wonorara nagogo kaa" akati "watova bho
here" ndikati "yeah ndabho ini" akati "okay"
akabva atoenda kunobika ,foni yangu
yakabva ya ringer ndikaona vari dad
vaindifonera ndikadavira zvikanzi
"Rea mwanangu uripiko?" vakadaro dad
ndikati

"Musanetseka dad ndiri right hangu"


zvikanzi

"Ko kusauya kumba chii" ndikati

"Ndichauya dad"

Ndakadaro ndichikata foni yacho. Dad


ndakanga ndisina problem navo maningi
because ndakaona sevakadyiswa so
pfungwa dzavo dzinombopota dzichivharika
chaiko , ndakabva ndafonera pastor
vakadavira ndikati

"Pastor makadii zvenyu" vakati

"Ndinotamba zijaya kurisei ikoko" ndikati


"Kuri nani kuno ,ndaikumbirawo minamato
yenyu pastor handisi kunzwa zvakanaka"
ndakadaro vakati

"Zvakanaka mwanangu ndinokunamatira


kana 3 o'clock yachaya"

Ndakabva ndavatenda ,ndaida kuti zvose


zvakavanzika zvibude pachena ,ndaneta
nekugara muimba izere ma secret. Nguva
dzakafamba Dee achibva azoenda kumba
kuna gogo ndikasara
ndega ,ndakatombosurukirwa zvangu.
Ndakabva ndafunga kubatawo munamato
wa 3 o'clock waiva wataurwa na pastor.
Ndakabva ndapfugama kwakutanga
kunamata. Ndakanamatirawo nababa vangu
kuti kana vakadyisa vabve varutsa zvose
zvavakadya. Ndakaita nguva ndichinamata
nezvazvo. Ndapedza ndakabva ndabuda
panze kwakutanga kumbotenderera hangu
ndichitwasanudza makumbo angu. Pasina
nguva ndakaona mota ya Dudu iri
pagate ,ko aive aziva sei kuti ndiri kumba
kwangu. Ndakabva ndamira achibva abuda
mumota make kwakuuya kwandaiva.

"Ndeipi chibaba ko musoro wakaitwa sei


futi" akadaro achingosvika pandaive.
Ndakabva ndamupa sign yekuti ngatipinde
mumba. Takapinda achibva agara pa chair
ndikati "uri kurwadza sha but ndave nani
hangu ,ko waziva sei kuti ndiri kuno"
ndakamubvunza akati "Ah
ndangofemberawo ,ko plaster ndeyei futi"
akabvunza futi ndikafunga kumuudza
chokwadi "ndakaita accident so
ndakakuvara" akati "Ah kupi ikoko uye chii
changa chaitika" ndikati "ndakangoresvawo
ku driver mota ikabva yabuda mu road
ikabva yabondera" handina kuda kumuudza
zvekuti ndaive ne stress. "Zvawanga woda
kufa nhai mudhara waida kusiya nani
mukadzi wako" ndikati "andisati ndane
mukadzi ini ndine musikana" akabva aseka
ndikangosekawo zvishoma. Ndaiti
ndikasekesa musoro wangu waibva
wanyanya kurwadza.

"Ndakanzwa kuti kimbi ane mimba yako ko


wakazobata sei mwana" kunzwa
kwandakaita nyaya ya kimbi ndakabva
ndasvotwa chaiko ,uyu Dudu aida
kundishaisa mufaro mhani ndikati "koiwe
wakanzwa nani izvozvo" akati "haa
mudhara unongozivawo kuti nyaya
inofamba shaa ndakainzwawo mukati
mukati imomu" akadaro achingoseka ini
ndakanga ndakatorova serious ndikati "Asi
unozivana naye kani sei uchizvitora
sechokwadi ,inga unozviziva wani kuti
handina kana ma feelings naye
ndaizomubata sei ndaiva ndashaya
wekunyenga here ndingakwira joki riya"
ndakanga ndanyangadzwa mhani ,Dudu
ndakanga ndisingachamunzwisisi panyaya
ya kimbi ,zvose izvi aizvinzwa kupi kwacho.
Ndakatozvishaiwa ini akati "pamwe
zvakanga zvakwidzaka musi wacho , handisi
kuti wakamubata Rea ndakangonzwawo
nemakuhwa" ndikati "wakanzwa
nemakuhwa but ndakukuudza ka kuti
handina kurara naye ,chakaitika
akatondiisira drug mu drink achida
kutondirepa but zvaaida zvakaramba ,
dzangova nharo dzake dzekuda kushingirira
kunyepa kuti numbu ndeyangu ,pamwe itori
yako futi."

Akabva avhunduka ndikati "kuvhunduka


chati kwatara hunge une
katurikwa ,wavhundei chibaba" akabva
ananzva muromo wake zvikanz "haa kana
kimbi ndakasiyana naye kare ini" ndikati
"but kana zvashata haurovi zvinhu here iwe
ndinokuzivaka Dudu" akati "kana bro
handichadi nekutokaona ini kane dzungu
kaya" ndakabva ndamuti anotora nyama
yekudya ku kitchen , Dudu ndinomuziva
nekuda nyama stereki akati "waita
sewafemerwa kuti ndine nzara kubva kuseni
andina kudya shaa , thanks rega ndinotora"
akabva ayenda akasiya foni yake pa chair.
Ndakabva ndaitora ndichida kuona zvangu
ma picture ema babe ake. Ndisati ndaibaya
foni yangu yakabva yarira ndikatsveta foni
ya Dudu ndikadavira call ,aiva Dee akanga
afona.

"Mamoyo wangu" ndakadaro zvikanz

"Samaita maswera bho here ,nyama adzisi


kudzimba here" akadaro Dee ndikati

"Haa dziri nane babe wangu ,variseiko gogo


vangu" ndakadaro , Dudu akabva asvika
ndiri pa call. zvikanzi na Dee

"Gogo vako vari right ava vari kuzvinzwa.


Ndichauya kukuona mangwana" ndikati
"Zvakanaka babe l love you" zvikanzi

"I love you too mwaaah"

Ndakapiwa kiss yepa foni achibva akata ,


Dudu akanditarisa ndikati "hindava
kunditarisa kudaro" zvikanzi "haa manyura
murudo mudhara kuita kupinda
nemakumbo chaiko" ndakanyemwerera
ndikati "haa iwe ndisiye hangu haudi
kundiona ndichifara ,babe rangu ndinorida
shaa handi uri kuona ipapa kuti andifonera
kuratidza kuti atondisuwa so" ndakadaro
ndichitaura zvandoda.

"Asi watopedza nyama yangu yandabikirwa


ne babe rangu" yaiva yakawanda nyama
yacho akati "ndasiya imwe ah ndaguta ini
waita bho shaa manheru handichatobiki ini
zvatovharana so"
Takatandara na Dudu achibva azoenda
kumba kwake zuva parakanga radoka.
Ndakasara ndikabika rice ndichibva ichibva
yaibva ndikazoisa nenyama yakanga
yabikwa na Dee ndikabva ndatodya
ndikazoenda kunorara. Ndakatanga
ndanamata ndokuzorara. Kunze kuchiedza
ndakabva ndafonerwa ne new number
ndikabva ndavira.

"Hello ndian?" zvikanzi

"Ndi Lizzy akuna kumira zvakanaka kuno"


akadaro nevoice rekunetseka ndikati

"Kwaiteiko?" zvikanzi

"Baba vapiwa mvura yekumwa makuseni


nemumwe murume angosvikawo pano
vachibva vanwa now vakurutsa ava
nekupazha apa mama havapo handizive kuti
vamuka vachiendepi makuseni."
Ndakabva ndakata foni andina Kuda
kuzonzwa zvakawanda. Ndakabva
ndafonera babe wangu ndichimuudza kuti
asazouye kumba. Ndakabva ndatobuda
kwakuenda.ndaka driver neruoko 1
ndikabva ndaenda. Ko dad vaiva vapiwa
mvura yei? Uye munhu wacho ari ani
chaizvo. Ndichisvika kumba ndakaona Lizzy
achibva aenda neni kwaiva na dad.
Ndakaona vakarara mumarutsi moyo
ukarwadza but ndaisakwanisa kuvasimudza
nekuda kweruoko rwangu rwaiva ne plaster.

"Ko mama wavafonera here" ndakabvunza


Lizzy akati

"Ehe vati vakuuya" ndikati "murume auya


pano akaita sei" akati "anga akapfeka
zvichena zvose" ndakatadza kuziva munhu
wacho ini. Pasina nguva mama vakasvika
vachiita zvekumhanya. Vakabva vasimudza
dad vakabva vabatirana na Lizzy vakaenda
navo ku bathroom. Zvaitondinetsa kushaya
kuti dad vanga vapiwa mvura yei chaizvo
yaimbova neyi yaita kuti dad varutse
nekupazha kwavanga vachiita. Lizzy akabva
adzoka akati "kimbi akatouya kugara pano"
ndakatarisa Lizzy achitaura zvakimbi ndikati
"uri kutii" akati "akauya nezuro mukaenda
kuroom kwenyu muchaona monarch yake
iriko uko"

Ndakapererwa chaiko ,vanhu ava vaida


kundiuraya nebp chaiyo,ini ndakanga
ndichiri mumarwadzo ndosvikira futi imwe
nyaya. "saka aripi" akati "abuda hameno
kwaayenda" ndikati "saka mama ndivo
vakati ayende kuroom kwangu here" akati
"ehe regai ndiende ndakanzi namama
ndisataura nemi" Lizzy akabva ayenda
ndikasara ndakadzvutura maziso angu
ndakangotarisa panzvimbo imwe chete.
Kupedza nyaya yacho ndaifana kungotora
hembe dzangu dzose ndoenda nadzo
kumba kwangu vosara nemunhu wavo.
Handingatemeswi musoro nevanhu vasina
kukwana. Pasina nguva foni yangu yakabva
yarira ndikaitora kwakudaira.

"Babe" ndakadaro ndikabva ndanzwa


seanochema ndikati

"Babe wangu taura neni ko chii?"


Ndakadaro ndakutoshaya kuti chii. Akaita
nguva achichema aripo pafoni zvikanzi

"Kundinyepera Rea" akadaro achibva akata


foni. Handina kuziva chakanga chaita kuti
Dee anditi ndinonyepa. Zvinhu zvacho
zvakanga zvondiwandira chaiko.
Ndakazoona kimbi achipinda mumba achi
modela zvisina basa ,zvaive zvakapfekwa
zvacho ungati ari kubva kubhawa.
Ndakaramba ndakamutarisa achifamba
kudaro achibva ananga pandaive akati
"Wanga uripi iwe" moziva ndakapererwa
nekuita kwa Kimbi. Kundibvunza izvozvo
kuita sekuti ndiri murume wake. Simba
rekudavira izvozvo ndakanga ndisina ini
ndokubva ndanyarara , ndaitofunga nezva
Dee aive anditi ndinomunyepera kuti chaiva
chii chaizvo. Kuti akanga aona chii chaita
ataure izvozvo uhm ndakazvishaiwa. "Ndiri
kutaura nemi baba Junior" ndakaseka
kukanganwa nhamo dzangu dzese ,ndainge
ndotonzi baba Junior paya. Haya mwana
uyu ndakamushaira pake ndokubva
ndamuti ndee zvangu ndichiita
sendinomupima. Ngatange kukwiridzira
zvitsiyo zvake uku achingobata bata
zvirukwa zvaiva mumusoro make.

"Junior anoda kusimbiswa Rea wanga uri


kupi uchitadza kuuya kumba" ndakamupa
zenya rembama achibva adzedzereka
achibva anowira kwakadaro uko
zvimakumbo zvichinoti mudenga. Dai
ndakamurova neruoko rweka right aiyiita
mazuva akawanda akazvimba chete. Zvino
ndakamurova na left ndakatoona sendisina
kunatsa kumurova. Aida kundijairira uyu
kundiona sedzakashota chaiko. Akamuka
ndokugara pasi achikwiza dama rake "Rea
chero ukandirova zvakaita sei mimba
ndeyako hazvimbochinje. Dad vangu vakati
ukairamba mimba iyi vanokusota chete.
Ungada kuramba zviri pachena zvaunonatsa
kuziva kuti wakandibata wakadhakwa
ukaita pungwe uri pamusoro pangu nxaaa"
akadaro achisimuka achibva ayenda.
Kuswera ndichipindura munhu ane mhepo
dzake ndaitoona sendinopedza izwi rangu
mahara. Ndakanga ndamirira kunzwa kuti
dad varisei but mama vacho havana kubvira
vadzoka.

Pakaita nguva ndakagara ndichibva


ndazonzwa noise ku bedroom kwavo.
Handina kuziva kuti yakanga iri yei
ndichibva ndaendako but andina kupinda
mumba ,ndakamira padoor ndokunzwa kuti
"mukadzi wangu ari kupi ,ndiri kuda kuona
mukadzi wangu pano." Dad vaigoti vari
kuda kuona mukadzi wavo upi wacho ivo
vaiva vose mumba imomo. zvikanzi
"makupenga here baba Dee manga mapora
nguvai muri kuwana simba rekutaura."
zvikanzi "ndati mukadzi wangu aripi unoziva
kwaari iwewe ,ko Rea wangu aripi ndiri
kuda kuona dangwe rangu." Zvaitaura dad
zvaindivhiringa andina kuziva kuti vari
kuzama kutii chaizvo ,uye chaive chaita kuti
vapopote kudaro chii ,dad vangu
vaisamboita zvekupopota kudaro. Ko
vainditi dangwe pakuita sei ini ndaiva nana
mukomana vaviri vakandikurira kuchizouya
sisi Lynn ,ndini ndaitove gotwe.

Ndakange nda confused zvikanzi "wadyei


murume wangu zvauri kutaura handisi
kuzvinzwisisa ini" vakadaro mama zvikanzi
"kundidyisa zvinyavada nemipurwa iwewe
une shuwa nezvawakandiita here oh waita
hako Jonah ingadai ndiri kuhutsi kwehope
kutaura kudai ,makore mangani ndichiita
sebenzi ndisingazivi zvandinoita."
Ndakazongoona misodzi yangu yakubuda.

*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Ios8pJVRKQMH
lNt7dCSxKE
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536
*CHAPTER 33*

*DELIVERANCE*

Ndakanga ndisingazivi kuti Rea anoyemawo


zvekudaro. Pane pamwe pandaivona kuti
uku kuyemerwa uku , kunyangwe
airwadziwa hake asi kakuyema kaivapo.
Kuzoti ndigezese apo ndakamboda kuramba
ndaitya kuona zvisionekwi. Zvisinei Rea
akazoti ndiyende kumba kuna gogo but
ndaisada kuenda ,ndakazongoendawo
hangu sezvo akanga akuti ava nani.
Ndichisvika kumba ndakawana kule Sam
vauya , vachingondiona vakabva vati
"zale ,zale urisei muzaya wasekuru"
vakadaro ndikati "ndiri bho kule kubva
marova kudaro manga musingachadi kuuya
kutiona handiti" ndakadaro ndichigara pasi
vakati "uhm muzaya basa kani raive
rakandiwandira ,ndatoita zvekutiza kuti
ndimbouya kuzorora." vakadaro kule ndikati
"haa saka pakaipa zvee magona mambouya
kutiona ,ko gogo varipi."

"Vari mumba mavo umo vanga vachiti vari


kutarisa mari yekutenga chingwa watogona
wauya ndini ndaitoda kutumwa ipapa haa
muchembere so havambozivi kuti
ndakaneta" ndakabva ndaseka ndichienda
kuroom kwagogo ,ndichipinda mu bedroom
mavo ndakaona vachiverenga mari
yavo ,"murisei gogo ,makarara zvakanaka
here" ndakadaro ndichizvikandira pabed
pavo vakati "koiwe watouya anga apora
nguvai wadai wauya" vakadaro gogo ndikati
"ndiye anditi enda kuna gogo anga achiti
ava nane ,ndichanomuona mangwana."
ndakadaro vakati "hoo kana ava nane hake
tinotenda mwari ,ko itomhanya kaa
unotenga chingwa sekuru vako vanguri
vachema nzara." gogo vakabva vandipa
mari yacho ndikaenda kuma shops.
Ndichisvika ndakatenga chingwa changu
ndikabva ndatodzokera kumba.
Ndakagadzira chingwa chacho kuchiisa dovi
ndikavaisira ne juice ndikavapa vakadya.
Ndapedza ndakabva ndaenda hangu
kunogeza. Pandakapedza ndakabva
ndatomborara ndikazomuka zuva rakuda
kudoka. Rea ndakamufonera akati ari nane
ndikabva ndatotanga kutamba nemapoto
angu. Ndakapedza kubika tikabva tadya
zvedu. Nguva yekurara yakakwana
ndikaenda kunorara. Zuva iri ndakararawo
hope dzinobata chaiko , stress ndakanga
ndisisina nekuti Rea akange akandiregerera.
Taiva tadzoka pedu pekare kungoti Rea
akanga achiri mumarwadzo hake but
zvakanga zvanane.

Kunze kuchiedza ndakabva ndafonerwa na


Rea achiti ndisauya kumuona handizive neyi
akadaro , handina kuita hangu nharo
ndakangoterera zvakataura asi moyo waida
kuona Rea. Kuswera ndisina kumuona
kwayiita kuti ndisanzwa
zvakanaka ,kutonzwa kuti pane chakashota
pandiri ,"Deri!!!" ndakanzwa gogo
vachindidana ndikabva ndatoenda kwavari
"matii gogo" ndakadaro vakati "itogadzirira
sekuru vako tea vati vari kuda kudzokera
kubasa" ndikati "horaiti gogo ko vanga
vatotiona here?" vakati "zva sekuru vako
hazvinzwisisiki" ndakabva ndanogadzira tea
yavo ndikavapa nechingwa chakanga
chasara nezuro" ndichibva ndanogadzira
muroom mangu sezvo ndakange ndamuka
ndichisiya zvakadaro. Ndapedza ndakabva
nda cleaner mumba ,kule vakabva vaoneka
vakaenda. Ndakazopedza kuita basa gogo
vakati "Deri iwe huya pano" ndakaenda
kuna gogo vakati "makazowirirana here?"
ndaka smiler ndikati "ehe gogo
takunzwanana now" zvikanzi
"gudhu ,ndakudanira kuti unotenga maguru
emombe pachi butcher chiri apo handiti
unopaziva" vakadaro gogo ndikati "ehe
ndipei mari yacho ndiende" vakandipa mari
yacho ndikabva ndaenda, ndakasvika
ndokutenga nyama yangu ndikadzokera.
Ndichifamba kudaro ndakabva ndanzwa
kubatwa muhuro mangu kwakutanga
kudzvinywa. Handina kuziva kuti chii
chaitora nzvimbo. Chandakanga ndatadza
chacho handina kuchiziva ini. Apa munhu
wacho aindidzvinya zvinorwadza zvekuti
ndakanga ndobudisa ziso , pahuro
pachirwadza ndakange ndototi ndakuurawa.
Munhu wacho akabva andiregedza achibva
andipusha ndikanodonha pasi. Ndakapotsa
padiki ndarovera nemuromo ndakazoita
zvekubata pasi nemaoko ndakaita zveku
pfugama. Nguva iyoyo ndatanga kukosora
zvakanyanya,ndakazomira kukosora
ndokutendeuka kumashure kwangu
ndikaona pakamira mumwe musikana
andisina kuziva.

Ndakashaya kuti aive andidzipirei chaizvo.


Pfungwa dzakamboti zvimwe anopenga asi
ndakazoti kwete nekuda kwekuti aive
akapfeka hembe dzakanaka uye aiva
akanaka but kwete zvembiri. Kamupfekero
kacho ndakakatya ini ,ka skirt kaiva
kakapfekwa kakanga kasingaiti zvekuti
akakotama shure yese inosara panze.

Ndakabva ndasimuka ndikamira ndokubva


ndatarisana nemusikana uyu. Akatanga
kufamba akauya kumira pamberi
pangu ,ndokunditarisa kubva kumusoro
kusvika kutsoka. Uyu musikana uyu
handifungi kuti akanga aine pfungwa
dzakati kwesere zvikanzi "haaahaa ndiwe
hako uri kuita basa rekudanana nemurume
wangu." Ndakavhunduka ndokubva
ndaramba ndakamutarisa ndichitoshaya
kuti zvaari kutaura zviri kubvepi chaizvo.
Andina kudavira ndakaramba ndakasona
muromo wangu. zvikanzi "iwe imbwa iwe
ndiri kutaura newe usada kundiita benzi kaa
rinotaura rega" akadaro achindinongedza
huma yangu , nguva iyi zvihasha
zvakatombondibata but ndakazvidzora
nekuti zvemusindo nemunhu andisingazivi
zvaizogona kundisvitsa pakaoma "nhai sisi
murume wemunhu upiko ndashaya
mukomana here ndingada murume
mukuru" ndakataura izvi ndakashinga uye
ndichisvotwa. Musikana uya akatanga
kupipa zvimaziso zvake zvikanzi "nxaa ende
hautomboenderani na Rea wacho ndiri
kutoshaya kuti akambodei pauri idzo tsvina
dzakaita sewe dai ukamitiswa umame tione
kuti unoenda kupi ,chimira ndikuudze
chisikana ndinoda utambire kure na Rea
zvisati zvashata nekuti unogona kufira
mahara. Ndini mukadzi wacho inini
ndikakuona futi unaye unofira mumaoko
angu ende ini handimbotyi kuuraya munhu
ndinokucheka nebanga chaiko ,uchisvika
kumba now ibva wamuudza kuti handichadi
nezvako uri kundinzwa here?"

Misodzi yakaswinya mumaziso angu , nguva


iyi ndakabva ndapera futi simba kunzwa
kuti riri kubuda mbichana mbichana.
Ndakazongoona misodzi yajenga mumaziso
angu ikabva yatodonha zvayo. Akabva
atanga kuseka achirovanisa maoko ake
zvikanzi "une shuwa kutochemera murume
wangu here?" Ndainge ndatarisa pasi
nguva iyi ndikazongonzwa ndapiwa zenya
rembama ndichinoti muvhu , ndakashaya
kuti ndoita zvekumudii musikana uyu ,dai
akagumira hake pakundiudzirira mashoko
kwete kundirova. Ndakarwadziwa ende
musikana uyu airatidza kuti ane hutsinye
chaihwo. Hapana chandakataura
ndokuramba ndichichema zvikanzi
"ndapedza newe iwewe ndikakuona futi
una Rea haiwa haumbondinetsi iwe ,vanhu
venhamo munonetsa mhani." akadaro
achinditsika gumbo rangu negogi yake
achibva ayenda. Ndakamboda kuridza
mhere but vanhu vaizondiona sedzisina
kukwana. But Rea ndaisamufungira izvozvo
zvekuti angava aine mukadzi ,ko neyi
ndisina kumuona musikana uyu zuva
randaenda kumba kwana Rea.
Ndakazvinetsa ndakagara kudaro asi
hapana kana chimwe chandaiziva.
Ndakabva ndaenda kumba misodzi iri
pamatama , ndichisvika kumba ndakananga
ku room kwangu ndikafonera Rea ndichida
kumuudza nyaya yacho but andina
kukwanisa kutaura nekuda kweshungu
ndikakata foni yacho.
Asi Rea haangambondidaro mhani
nemadire anondiita. But kana pasina iripo
musikana uyu aizondiroverei kana
vasingazivane na Rea. Ndakaisa foni yangu
pa charger ndikaenda kuna gogo ndikati
"ndobika nyama yacho yese here"
ndakadaro zvimusodzi zvikatanga kuti
dododo kudonha ,"Deri ukati hausati
woyema iwe uri kuchemei?" vakadaro gogo
ndikati "nguva yandanga ndichibva
kunotenga nyama ndabva ndadzipwa
nemumwe musikana achibva andirova"
zvikanzi "kukurova kuti waita sei" vakadaro
gogo ndikati "ati ndisiyane na Rea hanzi
ndiri mukadzi wake , makazvitarisa
munoona seane mukadzi here gogo ini Rea
ndinomuda ini ndoita sei gogo ati
ndimuudze kuti handichakudi" ndakadaro
gogo vakati "hezvo musikana wacho
ndewepiko iyeye , pamwe ari kudawo Riya
wacho ko zvichazikanwa here asi
pakukurova apa ashaisha" vakadaro gogo
ndakanga ndisingachazivi zvekuita
ini ,"zvakaoma gogo chandatadza chacho
handichazivi kungosvika nekundidzipa
henyu" zvikanzi "ukazomuona futi
murovewo nekuti angatokujairira ,kana iri
nyaya iyo usazvinetsa iye Riya wacho
achakuudza zvakazara unoti dai aiva
nemukadzi aizoenda newe kumba kwavo
here pane chaari kutsvaga mwana iyeye
kana kuda kukurambanisai"

But zvaitaura gogo chinonga chaiva


chokwadi. Handina kuda kumhanya kuita
hasha hangu , zvekuti ndisiye Rea ndizvo
zvaisaita hazvo nemadire
andaimuita ,ndakazonoisa maguru pastove
ndikaenda kunogeza. Ndapedza ndakaedza
number dza Rea but foni yacho yaisadairwa.
Ndakasiyana nazvo ndikaenda kunobika.
"Deri unomboziva here kuti kune vanenge
vasiri kufara pakudanana kwauri kuita
nemumwe wako , vanenge vachikunzwira
godo vozama kuda kuparadza but iwe kana
uchida munhu wako haufani kumusiya
nekuda kwemashoko evanhu ,mira naye
pose kunyangwe zviome sei muchakunda
chete. Mwari vanoropafadza pakashoreka
usazvidya moyo hapana chisingaiti ndimi
vanhu vachatororana mukagara mese."
vakadaro gogo nguva yatakanga tichidya
sadza. "Kupedza zvese regai nditizire Rea
wacho tobva tatogara tese hedu"
ndakadaro ndichirongedza mandiro
atakanga tadyira. Gogo vakatanga kuseka
vachirova maoko , vakaseka zvekunakirwa
zviya ,asi ndakanga ndoda ini kugara naye
zvikanzi "Seka hako Machuma iwe ,haa Deri
ndizvo zvauri kufunga here
muzukuru,kubata murume kwacho
wamboti wakugona here?" vakadaro gogo
ndikati "anenge achida kubatwa sei gogo
anondidzidzisaka Rea wacho." gogo
vainakirwa nezvandaitaura zvikanzi "huya
kuno handidi mwana anozonyadzisa."
Ndakatevera mumashure mavo vachienda
ku bathroom. Takapinda mukati vakati
ndikurure hembe dzese ndikabva
ndabvisa,zvese zvaindivhiringa izvi kushaya
kuti gogo vari kuda kudii.ndakabva ndanzi
rara pasi ndikaita sekudaro , zvikanzi "vhura
makumbo tione" ndakabva ndatanga
kunyara ndikabva ndavhura.

"Yohwee zvakusina chiro wani , hauna


kumbobvira wadhonza hako unomboziva
kuti ukarorwa zvinorambisa here izvozvo"
vakadaro gogo ndikati "muri kutaura nezvei
gogo hapana chandiri kuziva pazvose
zvamuri kutaura" vakati "hauna nzeve iwe
manje ndotokupa basa rega ndinotora zviro
zvacho zvauchashandisa" vakabva vabuda
apa nzeve dzacho dzaitaurwa andina
kudziziva. Ko munhu anoita futi nzeve
kuzasi uhm gogo vakabva vauya ndikati
"nhai gogo nzeve dzacho ndedzipiko andisi
kudziziva ini. Vakabva vabudisa zvinhu
zvaiva pabepa vakati "unoshandisa zvinhu
izvi pakudhonza zasi uku nzeve dzandiri
kutaura ndeidzi dzichiri idiki idzi
dzinotonetsa kubata,unotoshingirira
kukweva nekuti zvinorwadza asi kana
wazororwa zvinokunakira nekuti murume
anozvifarira vamwe vanotorambirwa
izvozvo." ndikati "maita basa gogo hapana
chandaiziva henyu ndichatomboita vhiki
rese ndichidaro" vakati "yeah unoona saizi
yakanaka kwete kuzoti anyanye kukura."
Gogo vakabva vaenda ndikambosara
ndichiita ende zvairwadza
chaiko ,ndakapedza ndikaenda kuroom
kwangu kunorara.

ndakabata foni yangu ndikaona ine


message yaibva kuna Rea ,yaiva yakanzi
"Babe wangu ndokuona mangwana handisi
kunzwa zvakanaka chero simba rekuenda
kumba kwangu handina kuriwana ndiri
kumba kwana mama" akabva aisa netuma
emoji twekuchema , handina kuziva kuti chii
chaive chaitika kwaari. Ndakapindura but
haana kuzodavira. Ndakabva ndasiyana
nazvo ndikarara , kunze kuchiedza
ndakamuka kuita basa rangu semazuva ose
ndikapedza ndikaenda kunogeza. Ndakabva
ndatomboita busy kuita zvandakaudzwa
nagogo, Ndapedza kugeza ndakanobika tea
ndikanwa nagogo ,gogo vakabva
vambobuda vachienda ku town ndikasara
hangu ndakagara ndichibaya foni yangu.
Pasina nguva ndanzwa huta kugedhe
ndikaziva kuti ndi Rea. Kufunga kwangu
ndaiti anosvika pamba but haana ndakabva
ndatoendako. Ndakawana ari mumota
make akazembera seat achiita seakarara.
Kusvika kwandakaita pamota haana
kukunzwa ,akazovhunduka anzwa
ndichivhura door remota ndichibva
ndapinda. Akabva anditarisa seasingandizivi
ini ndokurambawo ndakamutarisa. Apa
takanga tisati tamhoresana ndikazoti "uri
right here Rea ,nhasi uri kunzwa sei?"
Ndakabvunza asi haana kudaira aive
akangonditarisa asiri kubwaira. Ndakabva
ndamuzunungusa achibva avhunduka
ndikati "kwakanaka here kwaunobva
wavarairwa kudaro." Akabva adzungudza
musoro wake achitura mafemo ,ndega
ndakatoona kuti haasi kunzwa zvakanaka.

"Ko nezuro wanga uchiti kudii?" akabvunza


apa asina kudaira zvandakanga
ndamubvunza ,ndikati "ndakarohwa
nemumwe musikana achiti ndiri mukadzi
wa Rea" ndakadaro asi haana kumboratidza
kuvhunduka akati "akaita sei musikana
wacho" akadaro Rea ndikabva
ndamutsanangurira ndikamuudza
nezvaakanga akapfeka zvikanzi "sorry babe
usazvinetsa inga unozviziva wani kuti dady
havana mumwe munhu wavanoda ,ndauya
hangu kukuona but handisi kunzwa
zvakanaka babe."

Akadaro Rea ndikati "asi musoro uri


kuramba uchirwadza" ndakadaro achibva
adzungudza musoro akati "kwete babe now
andisi kuda kutaura nezvazvo mangwana
wozouya kumba tigotaura handiti" misodzi
ya Rea yakange yajenga mumaziso ake
ndikabva ndarwadziwa ndichitoshaya kuti
nyaya yacho ndeyei. "Ingondiudze padiki
Rea" ndakadaro achibva anditarisa ndikati
"ko chii futi" akati "ndosaka ndati
mangwana ugouya kumba now andina
simba rekutaura nezvazvo babe moyo
wangu uchiri kurwadza" akadaro Rea,
maybe yacho yaiva yakakura ndakabva
ndasiyana nazvo ndikati "saka ruoko rusei"
akati "rwava bho urwu mangwana ndogona
kunobviswa" akadaro Rea , handina
kuzombofungira zvekuti Rea ane mukadzi
ndakabva ndatozvirasira kure. Rea akanga
akanyarara achiita seanofungisisa , pfungwa
dzake ndakatoona kuti hadzisi panzvimbo.
"Babe ndakuda kuenda handi
ndambokuudza kuti handisi kunzwa
zvakanaka ndoda kunozorora" akadaro
ndichibva ndamupa kiss pamuromo asi
haana kudzorera. Ndakamusiya akadaro ,
zveshuwa aisava right uyu anenge
akazvimanikadza kuuya kundiona.

"Ufambe bho dady ndichauya mangwana"


akati "okay babe ufarise gogo" ndikati "okay
ndovafarisa" ndakabva ndatobuda mumota
yake achibva atoimutsa akaenda. Ndakasara
ndakamira ndakangotarisa mota
yake ,ndakada kuzama kutsvaga chakaita
kuti Rea asuwe asi andina
kuchiwana ,aitoratidza kuti ari kunetseka
chaiko nekuti haana kumbobvira
anyemwerera.
Mangwana acho atova masikati ndakabva
ndaudza gogo kuti ndiri kuenda kunoona
Rea vachibva vandibvumidza
ndikaenda,ndakaenda kuma tax anoenda
kumba kwa Rea ,ndisati ndakwira ndakabva
ndavharwa kumeso nemucheka ndokubva
ndasimudzwa kupindwa neni mumota.
Munhu wacho andina kana kumuona
ndakazama kuda kuchema but ndakabva
ndavharwa muromo wangu. Kumeso
kwangu kwakanga kwatovharwa
nemucheka apa ndakanga ndasungwa
maoko , andina kuziva chakanga chaitika.
Nguva iyi foni yangu yakabva yaringer asi
ndaisakwanisa kudaira nekuda kwekuti
ndaisaona. Andina kubvira ndanzwa voice
remunhu uyu aive akanyarara achi driver
mota kuenda neni kwandisingazivi.

*KIMBERLY*
Ndakatanga kurutsa chaizvo kusvika
ndakunzwa kuti mudumbu hamuchina
chinhu ,ndichipedza kurutsa pandaive ndoti
ndidzokere mumba ndakaona Lisa akamira
akatondiyeva hake. Ndakatovhunduka
zvikanzi "pamwe ungambogarawo pasi"
ameno Lisa aizama kuti chii ndikati "taura
zvandinonzwa iwe" ndakadaro nezvi hasha
achibva aseka zvikanzi "hasha ndedzeiko ,ko
ndakutuka here" akadaro asiri kumbogaya
hake ndikati "nxaa unopenga iwe kuda
kunzwa mashoko anobuda mukanwa
mangu here." Ndakadaro ndichipinda
mumba,vana mama vakanga vaenda
kunorara. Lisa uya akanditevera zvikanzi
"wega hausi kuona kuti zvakaita here ko
ukaenda hako zvisati zvashata" ndikati "uri
kutaura nezvei Lisa"
Aida kuzivisa nhema , ndakanga ndatoziva
hangu kuti kurutsa uku zvinenge zvakaita
manje ndakanga ndatoona kuti Lisa atoziva
so ndaida kumuvhara zvikanzi "imimba iyi,
chaunoswera kundibvunza zvaunoziva
chii ,ndiri kungoti dai waenda kuna baba
vayo mama vasati vazviziva" ndakamu
ignore ndokubva ndarara zvangu. Aida
kuzoita makuhwa uyu kana ndichinge
ndanetsana naye zvino ndakabva
ndazvinyararira hangu.

Mazuva akafamba ndipo pandakazoona


Dudu ndikavhunduka zvakanyanya ,kufunga
kwangu ndaitoti akafa uyu izvo aiva
mupenyu hake ende ndakabhoikana chaiko.
Dudu anotsamwa zvekurevesa
chaiko ,ndakarohwa kusvika nyama
dzorwadza kuitwa kafira mberi chaiko.
Ndaiti ndamurongera dhende izvo kupi
ndini ndakazoripfekedzwa dhende racho.
Musi wacho andina kuenda kumba
ndikabva ndaenda kumba kweshamwari
yangu. Kumba kwakanga kusingasvikiki
nekuda kwekuzvimba muviri kwandakanga
ndakaita. Shamwari yangu
yakatovhundukawo but ndakangomuvhara
vhara akatobvuma nhema.

Kuenda kwandakaita kumba kwana Rea


ndaida vana mai vacho vagare vachiziva
kuti ndizvo zviripo. Lizzy ndakanga
ndamumaka chaiko kuda kufumura madhiri
angu zvino mai vacho vaiva kuside rangu
ndikabva ndafara. Mazuva akafamba
ndikanyepera mama kuti ndichambonogara
kumba kweshamwari yangu ,ndaive
ndavaudza kuti ari kurwara vakabva
vandibvumidza but ndakatanga
ndatomboudzirirwa. Ndomaendere
andakaita kumba kwana Rea ava mom
vangu vaitofunga kuti ndiri kumba
kweshamwari yangu ini ndakanga
ndatotizira hangu.

Dudu akazondiudza kuti ari kuda musikana


ari kudanana na Rea achibva aenda neni
kumba kwacho ndikano kavhundusira apa
akanaka sei musikana iyeye haa Rea
akasarudza ipapo but ndakanzwa godo
chairo.

Musi wandabva kunonetsana nemusikana


wa Rea ndipo pakabva paita noise pamba
pana Rea ,ini kungonzwa noise kwandakaita
ndakabva ndatotiza kwakuenda kumba ,apa
nyaya yacho ndakanga ndisina kunzwa kuti
ndeyei. Ndichisvika kumba ndakanzwa
mama na Lisa vachitaura vari mu kitchen
zvikanzi

"Shamwari yangu yakaurawa


zvinondirwadza so kufarira kwavari kuita
mwana wangu vari kuzama kuda kuvhara
nyaya yacho kuti ndisataura." Vakadaro
mama ndikabva ndaswedera padhuze Lisa
akati

"Makaona vachiuraya here kana kuti


makazongonzwa nemakuhwa" zvikanzi
"kutoona neangu maziso maviri aya ,
ndakanga ndaendako ndichida hangu
kumbotandara namai Ree zvino ndipo
pandakasvikira mashura iwawo"
ndakarohwa nehana ndokubva ndabwaira
ndiri padoor re dining ,vakazomira kutaura
mushure mekunge foni yamama yarira
vakanodairira kubedroom kwavo. Ndakabva
ndapinda kwakunanga ku kitchen kwaiva na
Lisa ndikati "maitaura nyaya dzei"
ndakadaro ndichida kuti andiudzewo sezvo
nyaya yacho ndakanzwa yava pakati
zvikanzi "makuhwa mwana mudiki" akadaro
ndikasvotwa ndikati "Lisa sei uchindijairira
iwewe mwana mudiki unomuziva here"
akanditarisa akati "adzinei newe nyaya
dzacho ,ko wadzokerei" ndikati
"haundibvunzi izvozvo kuita sekuti handisi
mwana we pano"

"Haa pano hapasi pako ndepa mai


nababa ,kwako ndiko kwauchazonovaka
musha wako andisi kukutuka ini ndiri
kuzama kukujekesera nekuti pano unogona
kungodzingwa anytime." Ndakamuridzira
tsamwa ndichienda kuroom kwangu.

Ndakatanga kufunga nyaya yaitaura mama


nalisa kuti ndeyei chaizvo ,Mai Ree vanga
vachitaurwa nezvazvo kuti vangava Mai Rea
here ndakashupika ndichishaya kuti vaida
kuzama kuti chii. Ko uyu ari kunzi
akaurayiwa mama vakazviona angava aniko.
ndakatoona kuti musoro ungatema
ndichifunga zvisina basa. But pana Rea
kungoshingirira hangu haasi kumboratidza
kundida zvino zvekuita ndakanga
ndisingachazivi ,apa mimba ndeya Dudu.
Ndakabva ndatofunga kumuudza nezvazvo
kuitira kwana Rea kukadhakwa ndoenda
kumba kwa Dudu. Ndakamuisira message
but haana kudaira. Akava manheru
ndikadanirwa kudya na Lisa ndikaenda ,
mama pavakandiona vakabva vatoti
"ayizvee koiwe wasvika nguvai ,yanga
yatopora here shamwari yako" vakabvunza
ndikati "vabereki vacho vauya ndosaka
ndadzoka ava kunzwa zviri nane" zvikanz
"horaiti" Lisa akabva atanga kupa vanhu
chikafu. Dad vakauya ndikava mhoresawo
tikabva tatanga kudya. Ndakati ndapakati
pekudya ndokuzarirwa nemasiriri mukanwa
mangu , nguva yandakati ndinopfira
panze ,ndakazongoona ndakutorutsira
mumba imomo. Apa ndakazonyara nekuti
ndaibudisa nemweya usina kunaka apa
vanhu vaidya. Pandakapedza ndakaona
vanhu vose vatsveta maplate avo ndokubva
vanditarisa. Ndakabva ndashaya zvekuita
ndokutsikitsira huso hwangu zvikanzi

"Huya kuno" vakadaro mama


vakaunyanidza face yavo vasiri
kumboseka ,paive patondiipira
apa ,ndakatevera kuroom kwangu
kwavakanga vaenda. Vachipinda mumba
vakabva vabata muchiuno mavo zvikanzi
"une mimba?" Vakadaro mama ndokubva
ndadzungudza musoro wangu , vakabva
vasimudza ruoko rwavo kwakundipa
mbama ndikanowira pasi. Mbama yemunhu
akatsamwa inorwadza shem zvikanzi
"ndiudze zvakanaka ndinokupwanya
iwe ,ndati une mimba here?" vakabvunza
futi ndokubva ndakanyarara. Izvi zvakaita
kuti ndikwidze hasha dzavo ndokubva
vandirova futi ndikachema zvaisanzikwa na
dad.
"Ndiri kutaura ndega here mwana
iwe ,hausi kunzwa zvandiri kubvunza here?"
ndikati "andina kani mama" vakabva
vavhomora bhande raiva mu wadrope
kwakutanga kundirova naro. Ndakamboda
kutaura but ndakaramba ndakashinga
ndisingadi kutaura. Ko zvaitaurika nhai
veduwe. Mama vakazomira kundirova
nekuti vakanga vanzwa dad vachitaura vari
pa door "Mai Kim ko chiiko mumba umo"
mama havana kuwana simba rekutaura
ndokubva vagara pabed ,dad vakaramba
vachibvunza dzimara vazoita zvekuvhura
door vachibva vapinda. "Ko haudaviri here
ndichitaura newe ,ruzha nderwei?"
vakadaro dad vakati "mwana uyu
anonyadzisa zvokwadi" vakadaro mama
zvikanz "anyadzisa aita sei?" ndakatoona
kuti dad vari murima ,saka kurutsa
kwandanga ndaita havana chavakafungira.
Kungoti munhu wemurume hanyanyi kuziva
nezvazvo panyaya dzenhumbu zvikanzi
"mubvunzei inga aripo wani" vakadaro
mama zvikanz "nhaiwe ko chii chiri kuitika"

Ndakabva ndatanga kukwidzira madzihwa


ndikati "handisi kuziva" ndichingopedza
kutaura ndakabva ndapiwa mucheka
wembama namama ndichinodonha negotsi
ndokutanga kuiridza zvangu mhere.

"Mai Kim inga ndakubvunza wani kuti chii?


Ndipundure zvauri kungorova mwana ipapa
usiri kundiudza" vakadaro dad zvikanzi
"mwana ane mimba uyu ndiri kumubvunza
iye akundiita benzi" vakadaro mama
nevoice rakakora zvikanzi "mimba?"
vakadaro dad vachikanuka mama vachibva
vati zii. Nguva iyi ndakabva ndanyarara
zvikanzi "kimbi ,ndizvo here kuti une
mimba" vakadaro dad vangu neka voice
kaiva pasi pasi i think kwaiva kupererwa
ndikati "kwete dad ,mama vari kunyepa
ava" ndakabva ndapiwa bhutsu nechepa
waist pangu ndikairidza mhere. Mama
vakanga vatsamwa zvavasati vakamboita
"mwana ayiita mimba uri kupi Mai Kim" said
dad vachibata mama kuti vasandirova.
"Mwana uyu haanzwi ndaigara ndakashama
muromo ndichimutsiura ndichiita kunga
benzi ,ndaisakutsiura here iwe nhasi
unondiona haundizivi zvakanaka hubenzi
hwese hunopera chete"vakadaro mama.

"Wakuda kupopota nhasi nekuti ava


nemimba here Mai Kim,sei uri mukadzi
akapusa nhaiwe ini andina mwana amitiswa
pano ,vana vangu chete ndevakaroorwa
kwete uyu" vakadaro dad
vachibuda ,ndakatarisa mama ndikaona
vachichema."zvakaoma,une shuwa kimbi
tarira zvakuita baba vako ,haiwa mangwana
unotuta twako woenda kumuridzi
wemimba handingagari nemunhu akuziva
murume ini uri imbwa yemunhu iwewe.
*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/CyDcA71MNZp
APP2PnlFqjG

*POOR SHUPIKAI*
*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 34*

*REA*
Ndakaramba ndichibudisa misodzi
ndakamira pa door ipapo. Nguva iyoyo
ndakanzwa kurira kwembama ,zvichireva
kuti dad vakange vorova mama. Ipapo
andina kuda kupinda mumba ,ndakazonzwa
kuti "pandiri kudzoka uchataura hako
zvakanaka"ipapo door rakabva ravhurwa
dad vakandiona ndiripo ndakamira. Misodzi
yangu yakabva yaita manyemwe
ndokubuda zvakanyanya. Dad vakabva
vandibata ruoko rwangu tikaenda ku sitting
room. Moyo wangu ndainzwa kuti uri
kurwadza ,zvichibva zvanzi

"Mwanangu ndine hurombo nekusakuudza


zviripo hapana chandaiziva ini ,pamakore
ese aya pfungwa dzangu dzaisashanda
zvakanaka" vakadaro dad ndokubva ndati
"mama vangu varipi dad ,ndiri kuda kuona
mama vangu ini hiiihiii" ndakanga
ndotoridza mhere chaiyo,dad
vakandinyararidza asi ndakaramba
ndichichema. Shungu padzakapera
ndakabva ndanyarara ,ndikati "dad makore
mangani
muchindinyepera ,ndichishungurudzwa
pano senhapwa" ndaive ndatoona kuti mai
vandiri kugara navo havasi vangu ,saka
vangu vaivepi? "Mira nditaure zvakaitika
mwanangu ,ndakagara namai vako
kwemakore akawanda vasati vaita mimba.
So ndakanga ndofunga kuti havaite mwana
uye ndakanga ndofungirawo kuti ndine
problem yekusaita mwana. Ndipo
pandakadanana namai Dee uyu ndichizama
kutsvaga mwana achibva ati ave nepa
muviri. Kusaziva kuti yaiva yangu here
mimba yacho kana kuti akange agara ainayo
hake. So mama vako havana kuzoitawo
mazuva vakange vatova nemimba yako
ndikafara chaizvo."

"Mai vako vakazopona iwe ,Mai Dee


vakaponawo Lynn uya asi ndaive nema
doubt kuti mwana haasi wangu nekuti Mai
Dee munhu aingoita yese yese kuda zvinhu.
Ndakanga ndati mwana ndinochengeta but
iye aindinetsa kuti ndoda kuroorwa achiti
ramba mukadzi wako asi ini ndakanga
ndisingamudi, Mai vako ndivo vandaida
zvakanyanya. Dai ndaisavada ingadai
ndakavaramba kare pamakore ose
atakagara tose asina mwana asi ndaingoti
zvichaita kusvika zvazoitawo. So zvakazodai
rimwe zuva ndaenda kubasa ndikasiya
mama vako pano ,iwewe wakanga
watokura zvishoma zvekuti wakange
watorumurwa uri kuma 3 years
ikoko ,pandakazobva kubasa ndakasvika
mai vako vasipo ndikaona Mai Dee ainewe
ndikashaya kuti mukadzi wangu aindepi.
Ndikapopota ndichiti Mai Dee wauya kuitei
pano akati auya kuona ini. Akabva andipa
tsamba yakanga yanyorwa namai vako
ndikaona yakanzi handichakudi baba Rea
ndaenda ini usare uchichengeta mwana
wangu usanditsvaga hako ndichazodzoka
kuona Ree kana akura. So andina kuziva
chakanga chatsamwisa mukadzi wangu
kusvika pakundiramba achibva ayenda."

"Ndakazama kumutsvaga kumusha kwake


but vaiti hakuna munhu
kuno ,ndakazongonetawo kwakusiyana
nazvo ,ndipo pandakanga ndoda Mai Dee
zvekurevesa ndisingazivi kuti
ndakashandisirwa mushonga wekuti
ndimude zvakanyanya. Ndiregerewo
mwanangu mama vako handitozivi kwavari ,
mukadzi uyu anenge anoziva kwaari chete
andichatodi nezvake better ndigare ndisina
mukadzi ini pane kuti ndigare nemuroyi
uyu." said dad ,inini ndakanga
ndisingachagoni kugara ndakanga
ndoumburuka pasi misodzi ichiyerera
neangu matama. Ndakachema ndichidaidza
mama asi ndaigovawanepi ivo vainzi vava
nemakore vasingaonekwi. Mai ava vakanga
vandirwadzisa ,makore ese aya vachinyepa
kuti ndivo mai vangu chaivo. Ndaizviona ini
kuti kuita kwavo uku vanenge vasiri mai
vangu zvino nhasi zvabuda pachena.
Ndakanzwa kuvavenga chaiko kusada kuona
face yavo. Vanoratidza kuti vanoroya chaiko.
"Saka vachadzoka here mama vangu?"
ndakabvunza zvikanzi "handizivi mwanangu
makore acho awandisa ameno kwaari ikoko
kuti mupenyu here ,chero ini ndiri
kurwadziwa mwanangu mai vako ndaivada
zvisingaiti.handina kuda kuvaramba nekuti
vanonoka kubata pamuviri haiwa
taitongodanana zvakadaro. Andizive kuti
akatsamwei chaizvo kusvika pakuenda apa
takanga tisina kunetsana. Rega
ndizobvunzisisa mukadzi uyu anenge
anoziva zvose sei aikumanikidza zvausingadi.
Kimbi uya handisi kuda kumuona zvangu
pano vachabva zvavo vose namai Dee. Asi
achaenda ataura chokwadi chese cz tsamba
yainzi yakanyorwa namai Ree inenge
yekunyepa pamwe ndiye iyeyu akanyora
kuzama kuda kundivhara kuti ndichiti Mai
Ree akandiramba, usanetseke mwanangu
zvese zvinobuda pachena."

Kwaiva kungondisimbisa havo asi moyo


wangu waitsva chaiko. Ndakapererwa
nechiitiko ichi ,ndakapera simba , voice
rangu rakanga risingachabudi ndaive
ndongobudisa misodzi chinyararire. Bundu
raiva pamoyo pangu rakanga rakakura
chaizvo.Dad hapana zvavaikwanisawo kuita
nekuti hapana chavaiziva tose taitova
murima chaimo.

"Ndakambozama kubvunza Mai kimbi kuti


hapana chavakaudziwawo here asi vaiti
hapana chavakataura ,ndaiti vanozviziva
nekuti vaiwirirana zvisingaiti so sevanhu
vainzwanana ndaiti zvimwe vanoudzana
zvinenge zvichiitika" vakadaro dad ndikati
"chiregai kuramba muchitaura nezvazvo
dad nekuti ndingazomukira kuchipatara
nekudakwezvandiri kunzwa. Handi muri
kuona kukuvara kwandakaita uku
zvakakonzerwa namai ivava vasingadi
kuona ndichifara ,pamwe vanoda kuzofara
kana vanzwa kuti ndafa."ndakasimuka
ndikaenda kuroom kwangu. Musoro wangu
wakanga wotenderera ,ndaive ndoita sekuti
ndakudzungaira chaiko. Chakanga chasara
kurasika njere nekuti pfungwa dzangu
dzaisatora zvakanaka. Nguva dzakafamba
ndingorimo muroom mangu. Chero chikafu
andina kunodya ini ko zvaidyika nezvakanga
zvaitika izvi.Kunze kwakasviba asi andina
kurara ,nyama ndidzo dzaive dzakazorora
chete asi pfungwa dzaingopishana uku
musoro uchirwadza.
Kunze kwakaedza
ndakangosvinura ,ndaingofunga mai vangu
chete,ndichingoti dai vakava vapenyu havo
ndivaonewo. Ndichimuka ndakanogeza
ndichibva ndaenda downstairs ndikawana
dad vakagara vakabata shaya. Vaitooneka
kuti vari kuzvidya pfungwa.
Ndakavamhoresa vakadavira
vachivhunduka. "Uhm ndamuka mwanangu
madeko andina kana kurara zvakaoma."
Vakadaro vachitura befu , "zvinowanika
dad , Mwari ndivo vanoziva zvavakazviitira
regai tizvisiire kuna Mwari." ndakadaro
ndichigara pasi vakati "zvinorwadza
mwanangu,moyo wangu uri kurwadza
chaiko dai waiziva hako zvakaitawo chiso
chamai vako zvino hauchizivi wanga uchiri
mudiki hapana chawakanga woziva.
Mukadzi andirwadzisa uyu" vakadaro dad
vachingoridza mazitsamwa vachidzungudza
nemusoro. Handina chandakadavira
ndokuramba ndakanyarara. "Manheru
ndakaedza kumubvunza but aitondiita
sebenzi achiti haana chaanoziva.
Ndakamuvharira muchi room chiri uko
ndimo makarara imomo , handina kumupa
ma blanket chero chikafu andidi kuti apiwe
kusvika ataura chokwadi handizivi
zvakanaka" vakadaro vachiridza tsamwa
vachibva vasimuka kuenda. Vakananga
kuchi room chacho ndikabva ndateverawo.
Vachingopinda vakatanga kutozvambura
munhu.

Andina kumbonzwa tsitsi ndaitodawo kuti


vataure chokwadi ndizive kuna mama vangu.
"Baba Dee kani woda kundiuraya here
murume wangu handiziviwo kwaari ini
usandirova kani yoweee maiwee ndofa ini"
dad vakaramba vachirova "tsamba iya
havasi Mai Ree vakanyora ndiwe iwewe
waida kundivhara handiti zvino
zvimushonga zvako ndakarutsa handichasi
baba Dee ini ndinonzi baba Rea. Unoroya
iwewe uchataura hako kwawakaisa mukadzi
wangu." dad havana kudzora tsvimbo
vakaramba vachiponda chaiko zvikanzi
"chimirai nditaure kani" vakadaro mama
vave kugomera. Muviri wese wakanga
usingachatarisiki,vaive vazara mavanga
ekurohwa. Vakaramba vakanyarara
vasingataure dad vakati "kana woda
kutaura uchataura hako ndiri kudzoka,
pandiri kudzoka ndotangira pandasiira
uchabva pano wachirema chete."

Takabva tabuda , ndakabva ndaudza dad


kuti ndichamboenda kumba kwangu vakati
"okay mangwana uzodzoka kuno ndinoda
ataure chokwadi iwewe uripo
uchizvinzwirawo. Nhasi ndombomusiya
akadaro mangwana anotaura chete."
"Okay dad ndinouya ndinoda
kumbonozorodza pfungwa dzangu"
"Horaiti usanyanya kufungisisa mwanangu
unorwara nazvo i know zvinodzimba but
shinga handiti"
"Okay dad"

Ndakabva ndabuda kwave kuenda.


Ndakanoona hangu Dee asi zvaive
zvekuzvimanikidza. Ndichisvika kumba
ndakamborara ndikazomuka. Ndakaswera
ndakadhinhiwa ,uye ndakangoneta ndisina
kana simba. Manheru acho
ndakangogadzira zvi cereal ndikatodya
ndikarara. Ndakarara nguva diki ndokubva
ndatopepuka. Kunze kwazoedza
ndakangosvinura. Makuseni iwawo
ndakabva ndafonera doctor kuti vasvike
kumba vachibva vati vari kuuya. Vakauya
vakanditarisa musoro wangu neruoko
pakaonekwa pasina chakashata vachibva
vatondibvisa ndikanzwa kufurwawo
nemhepo because zvaipisa chaiko.
Ndakabva ndatoenda kunogeza. Ndakanga
ndatomirira kuuya kwa Dee kuti
ambondivaraidza hake ndimbokanganwa
zvinondinetsa mupfungwa dzangu.
Ndakasanobika rice ,ndaida kuti kana asvika
obika chicken. Ndakangoi boilisa kwave
kutosiya yakadaro. Rice rakaibva Dee asati
auya.

Ndakabva ndatomufonera but foni yacho


yaisadairwa. Ndakaramba ndichiedza
kusvika isingachaiti. Yakanga yatodzimwa
ende zvakandirwadza. Dee kutanga rini ku
ignore ma calls angu nekundidzimira foni.
Nguva iyoyo ndakabva ndafunga kutosvika
kumba kwavo ,ndakabuda ndokutora mota
kwaku driver kuendako. Ndichisvika
ndakangoamba nekupinda mumba ndisina
ku knocker ,ndakaona gogo vagara vachidya.
Vakatovhunduka pavakandiona
ndikamhoresana navo vakati "ko mumwe
asara kupi?" ndakavhunduka ndokuti
"ndanga ndisinaye gogo ndiye andauya
kuona ndafonera foni yake yanga
isingadairwi kusvika yadzimwa" ndakadaro
gogo vakabva vavhundukawo vakati "Abuda
nguva dzapera idzo achiti ndiri kunoona
Riya" zvakandirovesa nehana ndikashaya
kuti Dee aindepi.

"Haana kusvika uyu gogo pamwe tapesana


hedu asi aizodzimirei foni ndichimufonera"
"Zvakutondityisa muzukuru wee pamwe
asangana futi nemusikana uya akamurova
ko ndichazivei"
"Gogo chiregai ndiende, ndikasvika kumba
ndikaona asiko ndoziva kuti pane zvaitika.
But musanetseke ndinomuona"

Ndakadaro ndichibuda mumba


ndichimhanya. Dee akanga akundityisa kuti
akanga asangana na kimbi here?
Ndakamutsa mota ndikananga kumba
chaiko. Ndichisvika ndakaona pasina
munhu ,Hana yangu yakabva yatanga
kurova zvakanyanya. Ndokubva ndatura
befu , ndakanga ndapererwa kushaya
pekutangira kuti nditsvage Dee. Mwana
wevanhu nhaimi , ndakadaro ndakamira.
Ipapo ndakabva ndafunga kumboita ka
short prayer ndokubva ndapfugama
kunamata.ndakangozvishingisa ndikati
"Nezita ra Jesu hapana chinoitika kwaari"
ndokusimuka hangu asi kahana kairovera
kure.

Nguva iyoyo ndakabva ndafunga kufonera


Dudu kuti andibatsirewo kutsvaga. Ndaka
dialer number dzake ikabva yarira but haina
kudavirwa. Kepiri yakabva yaramba
kuratidza kuti yadzimwa. Ndakagara pasi
ndichishaya kuti chii chiri kuitika. Foni ya
Dee yadzimwawo , now ya Dudu
yadzimwawo futi ko why? ndakadaro
ndichibata musoro wangu. Dudu
haasimbodzimi foni mhani ndakabva
ndafunga kuendako. Ndaida andibatsirewo
kutsvaga Dee wangu iye akudzima foni.
Handina kutora nguva ndakanga ndasvika.
Pandakasvika ndakabva ndasiya mota
kugedhe kwave kufamba kupinda
mukati ,gedhe racho rakanga rakavhurika
zvaro neche kare. Ndaka knocker padoor
but andina kudairwa ,ndakambofunga kuti
zvimwe haapo but ndakabva ndafunga kuti
Dudu munhu asingafariri zvekufamba
famba ,ndakaramba ndichi nocker pasina
aidaira dzimara ndavhura door racho
rikabva ravhurika ,parakavhurika ndakabva
ndatya kuenda kubedroom kwake ndichiti
zvimwe ndingawana akavharira semunhu
anoda zvinhu.
"Dudu!!!!"ndakadaidzira.
"Harooo"
Kudaira kwake akaita seari kuvhunduka
ndokubva ndaenda kubedroom kwake
ndikawana akarara.
"Ko hindava muchinda iwewe usingadaviri
call yangu" ndakadaro ndichigara pa chair
zvikanzi "sorry mani chibaba pawafona paya
ndaigeza andina kumbozvinzwa
ndazotowana yadzima foni yacho
ndatoibairira pacharger. Ko zvirisei?"
akadaro ndikati "Ah stress shaa handisi
kuziva kuti babe wangu ayenda kupi?"
Ndaitaura na Dudu angori mublanket
ndikati "ko muromo kuita dende kudaro
wanzwii?" wakanga wakazvimba chaiko
maromo acho kwakubva achirembera.
Ndakamboda kuseka but ndakabva
ndazvidzora kwakusekera hangu mumoyo.
"Iwe shaa ndamuka makuseni ndine
mazihope asingaiti so nguva yandamuka
iyoyo ndanga ndichienda kunoweta ndabva
ndarovera pamadziro chero hope
dzandainzwa dzabva dzapera shaa"
"Haa sorry chibaba unoita bho ,ko
ndibatsirewo kutsvaga babe rangu izvozvi
ndine stress shaa anditombozivi kuti aripi.
Ndaenda kumba kwacho akanzi auya kumba
kwangu but haana kusvika."

Ndakadaro ndichimutsanangurira zvikanzi


"wadii kumufonera unzwe kwaari kwacho"
ndikati "yadzimwa foni yacho zviri
kutoratidza kuti pane zviri kuitika kwaari"
akabva aseka ndikatadza kuziva kuti chii
chakusekesa akati "mudhara
mungatotemeswe musoro nekuda kwe
babe , pamwe ari kutorohwa nyesu so"
ndakabhoikana nekutaura kwa Dudu ndikati
"babe wangu unonatsomuziva zvakanaka
here iwewe ,hatorina nguva yacho yekuita
izvozvo" akati "mababe emazuvano
haumazivi zvakanaka ,iwewe unodhuva
kunyanya kuisa trust pababe , zuva
raanokurwadzisa unomama" said Dudu.
"Ini babe wangu haadaro shaa usati kana
iwewe uchiitirwa izvozvo wobva wati ne
babe rangu rinozviitawo haa maya ndinomu
truster zvisingaiti mwana uya ,ndiri
kutofunga kuti mota yaakwira yaita
accident." Hapana chimwe chandakanga
ndofunga kunze kwe izvozvo chete.
"Saka adzimirei foni pafunge ipapo.
Ndakakuudza kuti babe rako hariiti riya but
haunzwe hausati watanga achakurwadzisa
ukamama chaiko."said Dudu
"Dudu ,kana usingadi kundibatsira better uti
handidi pane kuswera uchindiudza matsvina
iwawo. Iwewe uri kumborwadziwa neyi
chaizvo,chero akazondirwadzisa hazvina
basa ndini ndinenge ndarwadziwa kwete
iwewe. Zvimwe zvacho siyana nazvo handisi
benzi ndakada mwana uya pane
zvandakanga ndatoona kuti ndizodanana
naye , please Dudu nyaya yekunyomba
babe wangu nekumushoropodza gara
wasiyana nayo nekuti tichanetsana
nezvinhu zvisina basa. Mababe mangani
awakaita iwewe but ndaisa shoropodza ini
because panyaya dzevaviri handikwani."
Ndakadaro ndofemereka ,ndaizama
kumutsiura kuti next time asapamhe futi
because zvinondibhowa kuti munhu
andinoda oshoropodzwa ndinonzwa sei.

"Sorry mudhara kungotaura hangu andina


kuti ari kutorohwa nyesu ndati pamwe ari
kutorohwa andina chokwadi nazvo"
akadaro Dudu ndikati "okay sha rega
ndiyende ndione kuti ndadii?"
"Okay chibaba ufambe bho"
"Sharp"
Ndakabva ndabuda kwave kuenda kumota
yangu. Kutaura chokwadi ndakange
ndazvimbirwa nemashoko aDudu.
Chandisingagoni kuratidza munhu kuti
ndatsamwa ,ndinoita sendisina kutsamwa
hangu asi mumoyo ndinenge ndichipupa
nehasha. Ndakabva ndamutsa mota
ndokuenda hangu , ndisati ndasvika kure
foni yangu yakabva yapinda message
ndokubva ndaivhura hangu. Kuona
kwandakaita munhu aisa message
ndakanzwa kufara yaive yabva kuna Dee.
Nguva yandakaverenga message
yacho ,hana yangu yakabva yati tibvu
kurova chaiko.
*Ndaisaziva kuti kunze uko kune mhene
mhani, ndakanga ndakarasika panewe Rea ,
am very sorry ndawana munhu andaida
chaiye uye andaishuvira kuzova naye
muhupenyu hwangu. Sorry zvako panewe
kwaiva kungo pusher time ndaisambokuda
ini*
Ndakapedza kuverenga misodzi yoti
chururu neangu matama.

"No , no ,no , Dee haungandidaro mhani


ndakutadzirei chaizvo Dee usandidaro kani
mudiwa wangu inga ndinokuda wani"
Ndakanga ndochema , nguva iyi ndakanga
ndamisa mota ndichitya kuita accident
because ndakanga ndisingachaoni road
nemisodzi yaibuda mumaziso angu.
Ndakabva nda dialer number dzacho but
dzakange dzisingachaiti ,Asi chii chaizvo
chaita Dee adaro kungoamba
nekutondiramba here? Haa kana Dee
ndinofa newe. Ndakadaro ndichitaura
ndega uku maziso angu akanga ozvimba
nekutsukuta kwandaiita.

Stress dzacho dzobva dzaita hobho here


veduwe chandakatadza chiiko inini , Mwari
madirei kutambudza mweya
wangu ,ndichazovawo nezororo here pasi
penyika. Kana ndakatadza ndinoti
ndiregereiwo Mwari wangu murege
kutambudza mweya wangu. Kana mafunga
kunditora nenzira iyoyo yekufungisisa ibvai
manditora ndisati ndanyanya kurwadziwa.

Ndaitaura ndega asi hazvina kupedza pain


yandainzwa ,ndakabata foni yangu
ndokuedza futi number dza Dee but adzina
kuita zvachose. Yaitoti yakadzimwa , kureva
kuti akanga angoita on kundiisira message
ndokubva adzima. Asi Dee chaiye kundidaro
here ndakazviramba , kwaiva kusabvuma
hangu but message yaivapo yaiva yabva
kuna Dee.

Misodzi yakazomira kubuda ndoku driver


kuenda kumba, ndainzwa kuti pahuro
pangu pane chiripo , ndichisvika kumba
ndakamhanya kupinda mumba kwakupinda
mujira nebhutsu. Ndakamboita nguva
ndakazvambarara mujira imomo ndokubva
ndazomuka ,ndainge ndafunga kuenda
kumba kuna dad. Ndaida kuvaudzawo
nyaya yangu zvimwe vaindibatsirawo.

Andina kuzoita nguva ndakagara ndakabva


ndatotora mota kwave kurova pasi,ndaiti
ndikafunga nezve message kahana kaibva
kati tibvu kurova.
*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Kiyu3VI1xwp2A
RMEa54pIK

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*
*SHELLY*

#0621142536

*CHAPTER 35*

*DELIVERANCE*
Nguva iyoyo foni yangu yakabva yatorwa
ndokudzimwa ,ende munhu andakafungira
aindifonera ndi Rea , maybe aida kunzwa
kuti ndakupi zvino aisaziva kuti ndiri
mudambudziko. Moyo wangu waitsva
ndisingazivi chiri kuda kuitika , ndakatanga
kutya zvakanyanya. Mota yakarohwa kwete
zvekutamba. Takati tava chinhambo mota
ndokubva yamiswa. Ndakazonzwa
ndakubatwa mazamu angu veduwe
ndakarwadziwa. Ndokubva andibvisa
mucheka waiva pamuromo kwakutanga
kundikisa ndikanzwa kusema chaiko
ndokubva ndaita sendinoda ku responder
achibva aisa muromo wake mukanwa
mangu ndokubva ndamuruma. Shasha
yakaita seichachema because ndaive
ndamuruma nesimba rangu rese. Handina
kubvira ndabviswa mucheka waiva kumeso.

Nguva iyoyo akabva ati


"Nxaa shit"
Akadaro achindisunga futi muromo wangu
achibva amutsa mota ndoku driver futi
achienda neni. Ndakada kuzama
kucherechedza izwi iri paive ataura asi
andina kuriziva. Ndakatanga kufunga kuti
saka munhu uyu ari kuyendepi neni? Uye
anoda kundidini? Ndaive ndotoona
sendakutorepwa ndokuchemera mumoyo.
Ko voice raigobuda sei ini ndakanga
ndasungwa muromo. Nguva iyoyo
ndakabva ndafunga Rea wangu , kuti dai
angofemberawo kuti ndizvo zvandapindana
nazvo izvi auya kundibatsira. Aingova madai
dai chete but zvaisashanda.

Ndakazonzwa mota yamiswa ndokubva


munhu wacho abuda , ndokubva ndanzwa
kuvhurwa kwegedhe. Pasina nguva
ndakanzwa kutinhira kwemota yairatidza
kuti yaiuya kwatiri. Mota iya yakasvika
ndikanzwa ichimiswa paside pemota
yandaiveri. Neche mumoyo mangu
ndakangoti dai akaita Rea hake
andinunurewo. Asi pfungwa dzangu
dzakabva dzamhanya kufunga kuti zvimwe
mota yasvika iyi ine munhu anoziva
nemunhu andaiva naye uyu. Kuzodaro
ndakabva ndahuta ndikaita
sendichazviwetera. Hapana kuita nguva
ndakanzwa vanhu vaya
vomamisana ,ndaingonzwa kunaya
kwezvibhakera. Ko vakanga vorwirei zvee
andina kuziva. Nguva iyoyo ndakafunga
kuda kutiza but ndakazofunga kuti
ndakasungwa maoko. Handaikwanisa kutiza
kwacho.

Apa ndakanga ndisingaoni futi so akuna


kwandaisvika nekuti ndinenge ndabatwa.
Haa ndakangoti Mwari itai kuda kwenyu.
Ipapo kutya kwese kwakabva kwapera
andizive kuti chii. Kana kuhuta kuya
kwakabva kwamirawo. Asi chandakange
ndoita kutura mafemo chete. Vanhu ava
vakarovana kwezvinguva zvakati kuti
ndokubva ndazonzwa kunyarara.
Ndakazonzwa kuti

"Hauna kungwara iwewe zvese zvawanga


uchiita ndanga ndichizviona wanga uchida
kuendepi nemwana uye waida kumuitei?"
Voice racho ndakazama kuda kutsvaga kuti
nderani chaizvo asi andina kuziva ,but
ndaive nekakufungidzira asi ndakanga
ndisingachazivi kuti nderani. Munhu
aiudziwa izvozvo haana kudaira zvikanzi
"Ndinokusungisisa waida kuno raper
mwana iwewe manje haundizivi iwe kuti
ndinonzi ani? Pamba pako ndatopaona
haundinetsi."
Munhu uyu airatidza kuti akatsamwa
chaiko ,ndakazonzwa door remota
rakuvhurwa ndokubva ndabudiswa
ndikatakurwa kwakuiswa mune imwe mota.
Mota yakamutswa ndokubva taenda but
ndaive neshungu dzekuda kuona munhu
uyu , akanga asina kundisunungura.
Ndakabva ndafunga foni yangu yaive
yatorwa nemunhu uya uhm ndakangoti
haina hayo basa chikuru ndapona. Mota
yakamiswa ndikatanga kusunungurwa
maoko ndikabviswa mucheka waiva
pamuromo achibva azondibvisa mucheka
waiva kumeso.

Ndakamboita nguva ndakatsinzinya maziso


angu , ndokubva ndamavhura zvishoma
nezvishoma. Ndakabiridzira kutarisa munhu
uyu ,pandakanatsa kuvhura maziso angu
kuona munhu uyu ndakabva ndavhunduka
ndichiona ari mukomana uya ekumbondipa
mari kuti nditize. Ndakanzwa kufara
zvakanyanya. Iye wacho akanditarisa ini
ndokubva ndaramba ndakamutarisa.
zvikanzi
"Zvamanga moda kunorepwa nhai sisi"
akadaro ndokubva maziso angu atanga
kuswinya ndikatanga kutsukuta ndokubuda
misodzi.
"Wanga uchiendepi?" akabvunza ndikati
"Ndanga ndichida kunoona mukomana
wangu." ndakadaro moyo uchitsva zvikanzi
"Zvakaoma ,atadza kunyenga zvakanaka
here mukomana iyeye. Mabatirwo awaitwa
ndamaona zvangu ndikaziva kuti hamusi
kuwirirana ndokubva ndatevera
mumashure make ,ambomisa mota uko
nguva yandanga ndakusvika abva andiona
ndokubva amutsa futi mota kwakuyenda so
ndaramba ndichingotevera but
ndaisamhanyisa hangu mota yangu ndaida
kuti asandifungira so ndangoitawo
semunhu ari kuyenda kwaari kuyenda hake"
akadaro mukomana uya. Ndakachema
ndichiti dai asiri mukomana uyu
zvaizogumirepi chaizvo.
"Maita basa mukoma"
Ndakadaro ndichipukuta misodzi. Ko
ndainge ndamutadzireiko mukomana
iyeye ,zvaaive andifungira parefu nhai
veduwe. Rea aizondida here ndave
gaba ,ndakatenda mukomana uyu
kasingaperi zvikanzi
"Chirega kuchema zvako hanzvadzi yangu
zvatopfuura."
Akadaro achitora foni yake ndokubva
atanga kuibaya baya zvikanzi
"Unomuziva here munhu uyu"
Akadaro achiratidza foni yake kumaziso
kwangu ,ndakatarisa picture racho , nguva
yandakaona munhu wacho ndakabva
ndatsukuta maziso angu ndokudzokorora
kutarisa futi picture riya , ndakaona kuti
zvokwadi zvandiri kuona ndizvo ndikati
"Ndomuziva"
Ndakadaro achibva adzosera foni yake
zvikanzi
"Ndian wako?"
Ndakabva ndamedza mate ndikati
"Ifriend yemukomana wangu"

Ndakadaro ndichinanzva muromo wangu


waive waomerwa zvikanzi
"Oh ,but haisi shamwari yakanaka
kumukomana wako ,ndiye munhu aida kuku
raper uyu."
Ndakatanga kubwaira maziso
angu ,ndokumedza mate kasingaperi. Saka
aive andiona saniko aida kundi raper. Anga
asina kuona kuti ndini musikana wa Rea
here? Ndakazvishaya ndokuramba
ndakatarisa mukomana uyu.
"Munorevesa?"
Ndakabvunza ,zvaitondishamisa ini kuti
friend ya Rea kuda kundi raper chaiko here?
Munhu akati hwee kudaro sei aine pfungwa
dzakapusa kudaro.
"Yeah ,unofamba na Mwari shuwa ugoona
ndanga ndichizvibvira hangu kwandaibva
ndikatombofunga kusiya road yandaiva
ndichida kushandisa yekuseri uko dai
ndashandisa yekuseri uko aah wayiitwa
zvimwe nhasi. Mwari waunonamata
mukuru ramba wakashinga usadzora
tsvimbo ramba wakaisa ibvi pana Mwari
wako."

"Uhm maita mukoma ndinokutendai


zvikuru , Mwari ave nemi mune rudo
chairwo."i said.
"Uchitendei hako mwana wamai so apa
rega ndikuperekedze kumba ndobva
ndaenda zvangu kudheni."
Akabva amutsa mota kwakurova
pasi ,munhu andaive ndotyira ndi Rea kuti
ari kufungei? Uye ari kuti ndiripi?. Apa foni
yangu yakanga yadzimwa ikatorwa.
Zvakaoma , shamwari ya Rea ndakabva
ndaivenga ini handichambodi kumuona. So
zvakabva zvandiratidza kuti aindivhima
chaiko.
Mukoma vaya vakandisiya paroad ndikati
"Maita basa bhudhi mufambe bho ,ko
hamuna kundiudza zita" ndakadaro nekuti
ndaingoti mukoma ndisingazivi zita
rake ,akanyemwerera zvikanzi
"Uchazondiziva zvako dea ,ingonditi mutwin
chete" akadaro ndikati
"Okay mutwin byee ko mumwe mutwin
aripi?" Ndakadaro ndichinzwa
kutosununguka chaiko ,ndaimbomutya asi
ndakatoona kuti haana hutsinye samai
vacho zvikanzi
"Makundinonotsa sisi , mutwin ariko hake
kumba byee handi" ndikati
"Okay sharp"

Akabva amutsa mota ndokuenda. Dai ari


mumwe handi aitoti dzawira mutswanda
ondiita zvaanoda hake but haatorina
pfungwa yacho. Ndakafamba kwave
kupinda mumba.
"Maswera sei gogo?" I said ndichigara
pasi ,vakati
"Hezvo watouya,ko mazoonana kupi?"
Vakadaro gogo ndikati
"Uhm gogo ndazopindana nema1"

Ndakavatsanangurira zvose ,gogo vakabva


vatura mafemo ndokuramba vakanditarisa
zvikanzi
"Zvakaoma , muzukuru wangu zvauri
kusangana nazvo zvakaoma ko aiva
akufungirei zve. Inga munyika mune vanhu
vane ma demon nemashavi ekusada
kuradzika zvombo zvavo. Aita hake munhu
akununura ingadai totaura zvimwe so."
Vakadaro gogo ndikabva ndatura
befu ,ndikati
"Anenge aitogara achindivhima uyu ,musi
wandaenda kuchipatara kunoona muzukuru
wenyu ndakamuona but andina kuda
kumufungira zvakaipa se best friend
yemukomana wangu." zvikanzi
"Ah muzukuru usazovimba nemunhu
wanzwa inga Metsiyasi mhere akaimba
wani kuti usavimba nemunhu nekuti
anokurasisa"
Ndakabva ndaseka haa gogo futi kubva vati
Metsiyasi ndikati
"Taurai henyu gogo,asi matadza kuti
Methias here gogo inga mazino munawo
wani" ndakadaro ndokubva vaseka zvikanzi
"Ndikafa uchatambura nekuti uri kundituka"
"Sorry kani gogo ndiri kutamba" zvikanzi
"Riya wako ndashaya kuti neyi asvika pano
iwe uchangobva pano izvo waive
watopindana nedzakaoma itomufonere
hana yake igadzikane." ndikati
"Foni yasara gogo,dai ndaiziva number
dzake nemusoro ndaigona kumufonera
nefoni yenyu manje andidzizivi ini ndiri
kufunga kutoenda kumba kwake ,izvozvi
moyo wake uri kutsva so gogo."
Rea haatani kurwadziwa apa ndemunhu
ane mastress ake mazuvano yandisingazivi
kuti
ndeyei.
"Woda kubatwa futi here?" vakadaro gogo
ndikati
"Saka munoda ndidini gogo moyo wangu uri
kutorwadza kuti ndirare ndisina kumuona
hazviiti ,dai ndaive nefoni ndaifona zvino
andina ndinoda arare achiziva kuti ndiri safe.
zvikanzi
"Ndizvo hazvo ,asi wofamba wakachenjera"
ndikati
"Yeah kuti ndirege kuenda hadzingabati
gogo ndisingazivi kuti aswera sei? Nyama
dzake adzisi kudzimba here? Aribho here?"
Gogo vakabva vaseka zvikanzi
"Haa muzukuru wangu anodiwa zvokwadi ,
ndizvo chaizvo muzukuru une rudo kune
mumwe wako."
Ndakabva ndaenda kunochinja hembe
ndikapedza ndokuoneka gogo ndikaenda.
Ndaingofamba ndichicheuka
cheuka ,kwaive kutya uku semunhu anga
ambobatwa akapotsa padiki arepwa. Pasina
nguva pakabva pasvikawo imwe mota
ndokubva ndatokwira kwakuenda.
Ndichisvika kumba kwa Rea ndakabva nda
knocker ,but haana kudavira. Ndokubva
ndaedza kuvhura door racho rikaramba
kuratidza kuti raka lockwa hapana munhu.
Andina kuda kuzomirapo ndokubva
ndatodzokera kumba. Ndakafunga kuti ari
kumba kwevabereki vake. Zvino hope
madeko dzaisambobata kana ,ko iye Rea
hake aimboti ndiri kupi. Kwaiva
kutozvinetsa mupfungwa dzangu.

Ndichisvika kumba ndakaudza gogo kuti


handina kumuwana vakati "anenge ari
kutokutsvaga so"
"Andichaziviwo gogo" vakati
"Wozoita zvekumukira mangwana
woendako ndokuti usvike aripo. Ukanonoka
kuendako unogona kuwana asipo futi."
Ndakanzwisisa ndikabva ndabika chikafu
chemanheru. Ndakapedza tikabva tadya
hedu. Nguva yekurara yakakwana ndokubva
ndaenda kunorara.

Kunze kwakaedza ndikamuka kuita basa


rese ,ndapedza ndakabva ndaenda
kunogeza ndichipedza ndokupfeka hembe
dzangu ndikabva ndaoneka gogo ndikaenda.
Nguva dzakanga dzafamba hadzo ndikatoita
zvekumhanya kuenda kunokwira tax.
Ndakangosvika nekutoiwana ndikabva
ndatoenda.

Ndasvika kumba kwake ndakangovhura


door ndisina ku knocker rikabva
ravhurika ,moyo wangu wakabva wafara
nekuti aitoratidza kuti aripo. Ndakabva
ndananga kubedroom kwake ndikamuwana
akarara nedumbu. Aitoratidza kuti munhu
ari kuzvinetsa nepfungwa dzake.
Ndakafamba kuenda pamubhedha
ndokubva ndabata musana wake achibva
avhunduka. Achingoona kuti ndini akabva
ati
"Babe!!!!!"
Akadaro achindimbundira tikabva
tadonhedzana pamubhedha ipapo.
Ndokutanga kundikisa muhuro mangu ,
ndakanzwa pabendekete rangu kunyorova
ndikaziva kuti ari kuchema mumwe wangu.
Ndakabva ndamubvisa musoro wake waiva
pabendekete rangu ndikati
"Rea usachema"
Ndakadaro ndichigara pamakumbo ake
ndikabva ndaisa maoko angu pamapfudzi
ake.

"Are you okay babe wangu"


Akadaro achindibata pese pese ,I think aida
kuona kuti ndiri right chaizvo here?
"I'm okay dady and you"
I said ndichimupukuta misodzi yaiva
pamatama ake , akabva anditi ndee
mumaziso chaimo. Rea aioneka kuti
andisuwa chaiko.
"Ndoita bho sei babe ini ndisina kukuona
nezuro ,ko chii chakamboita , handina kana
kurara babe ndichitadza kuziva kuti
uripi ,kuda kufonera number yako yairamba
yakangobvuma ka1 chete."
Said Rea achitura mafemo. Ngatange
kundibata bata futi ,ini ndakabva
ndanyemwerera ndichisiya achidaro ndikati
"Uhm zvakaoma Rea friend yako munhu
kwaye here?" Ndaida kuona kuti hapana
zvakashata zvaanoziva pamusoro pake here.
"Eh babe ,why wabvunza" said Rea ndikati
"Unotomu truster here?" I said akati
"Eh babe kungoti munhu akangwarisa
nekutaura zvaanoda asingagayi ,ko chii
babe ndiudze" akadaro Rea achindibata
bata kumeso kwangu ndikabva ndatura
befu zvikanzi
"Pane zvawakaitwa here babe udza dady
tione" he said ndikati
"Nezuro ndakanga ndarepwa
Rea ,handitorina foni now yakatorwa"
ndakadaro akati
"Kurepwa? Nani babe" akadaro Rea
achishamisika ndikati
"Neshamwari yako Rea" akabva aramba
akanditarisa ndokuti
"Dudu here?"
"Ehe iyeye"
Ndakadaro akabva abata musoro
wake ,haana chaakataura akasimuka kubva
pamubhedha kwakutanga kufamba
achitenderera imba yese achiti
"Dudu ,Dudu!!!"

Akaita nguva achidaro achimbobata musoro


obata muchiuno.
"Ndaisaziva kuti ndizvo zvauri Dudu"
Ayizve akange oita seari kutaura na Dudu
wacho , ndakamusiya akadaro dzinenge
dzaiva shungu chete. Ndakazomubata
muchiuno make ndikati
"Imbodzikama Rea ,hana ngaidzikame
haana zvaakandiita uyo ndakanunurwa
nemukomana uya ekundipa mari
yawakapisa iya."ndakadaro ndichimukisa
ndakanga ndamusuwawo tikabva tagara
pabed zvikanzi
"Wakanatsa kuona kuti ndiye here
babe"akadaro Rea anenge aisazvi believer
ndikati
"Nguva yandakanunurwa andina kumuona
ndakazoratidzwa picture rake akazvimba
muromo ndini ndakamuruma achida
kundikisa , muromo wake
wakazowedzerawo kuzvimba nekuti
akarohwa. Ah friend yako yakaoma Rea
kundisunga maoko kwakundivhara muromo
wangu nekumeso kwangu."
Ndakadaro ndokubva andimbundira
ndikabva ndamumbundirawo. Takatora
nguva takadaro tichibva tazoregedzana
akati
"Sorry babe wangu saka foni ndiye anayo
handi" ndikati
"Ehe" akati
"Oh , ugoona ndakasvika kumba kwake
nezuro ndichida andibatsire kutsvaga iwe
but zvaitaura zvacho zvakandityisa andina
kuda kuita hanya nazvo nekuti ndiwo
magarire ake zvino mangwana ndinoda
kumuendera babe ende andibhowa
ndaisamufungira izvozvo."ndikati
"Shamwari yako haina kumbonaka mudiwa
wangu tarira ini handina shamwari ,
shamwari yangu ndiwe nagogo vangu."
Ndakadaro zvikanzi
"Shuwa babe ushamwari ndatogura kuda
kubata mukadzi wangu chibharo ,zvinhu
zvangu hazvina kuhafurwa here babe"
Akadaro achibata mazamu angu ndikati
"Hazvina dady ,handichadzokeri kumba
ndakuda kugara newe" akabva avhunduka
akati
"Ah babe ,ndoda kukurora nenzira
yakanaka" ndikati
"Ah dady andichadi zvekugara kure newe ,
pamwe ma problems angaita mashoma"
akabva aseka achizviwisira pabed nemusana
wake ndokubva andidhonzerawo pamusoro
pake akatanga kundikisa.
Ndakamubatirirawo tikakisana chaiko
achibva azomira zvikanzi

"I love you Mamoyo wangu ,uri pa heart


pangu babe" ndikati
"I love you too dady ,handife ndakakusiya."
Takaudzana zvakawanda na Rea wangu
ende aifara chero ini ndainzwawo kufara.
Takaswera tese zuva iri kusvika nguva yangu
yakwana yekuenda kumba.
"Babe tora foni yangu iyo uyende nayo
ndozokutsvagira imwe" akadaro Rea ndikati
"Koiwe unoshandisei ndikatora iyoyo." Akati
"Ndichashandisa chimbudzi chandinacho"
ndikati
"Chindipa ichocho usare nefoni yako" akati
"Kwete mai mwana tora foni ya dady
uyende nayo nhasi worara uchibaya baya
uchitarisa kuti hamuna zvipande here?"
Akadaro achiseka ndikabva ndatora foni
yacho , akandiperekedza kuenda kumba
achibva azodzokera hake.

"Haa nhasi ndiri kuzviona kuti uri kufara


chaiko." vakadaro gogo nguva yandakanga
ndichibika ndikati
"Eh gogo ndazomuona ariko aitonetseka
kuti ndiripi."
Ndakapindura. Ndokubva ndaenderera
mberi nekubika,ndakazopedza ndokubva
tadya hedu. Ndakabva ndaenda kunorara,
ndakabva ndambobaya fon yandaive
ndapiwa na Rea , pasina nguva akabva
andiisira message.
"Ndeipi babe ,dady kuno varara nenzara
hauna kusiya wabikira dady" akadaro Rea
ndikabva ndaseka ndikapindura kuti
"Uhm dady sorry handina kumbozvifunga
hako nekuswera tichirezvana kwatanga
tichiita."

Takabva taitana ma good night ndikabva


ndarara. Ndakararawo hope dzinobata kana
stress ndakange ndisisina ini.

*End of chapter*

*Love you all guys *


[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Kiyu3VI1xwp2A
RMEa54pIK

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

*CHAPTER 36*
*MELISSA*

"Ndakatamba nenguva yangu gogo


ndichidanana nemunhu akanga asina basa
neni ,handizivi kuti kutsonga kwayiita kuti
ndisazviona here."
Ndakadaro ndichiudza gogo , nguva iyoyo
takanga tapedza kudya takatandara hedu
ndichikurukura nagogo , Tinashe akangoti
kupedza kudya achibva atoenda kuimba
yake yekurara.
"Saka uri kutiiko Melissa"
Vakadaro gogo ndikati
"Ndiri kuzama kureva kuti ndine mimba
gogo ,baba vemimba vakaramba mimba
yavo gogo , ndakanga ndisingazivi kuti ane
mhuri yake ini. Aindinyepera achiti haana
mukadzi achiti ndakarambiwa."
Gogo vakabva vaita nguva
vakanyarara ,vaive vakangonditarisa
ndokubva vati,
"Saka iwewe wakanga wadei parume guru
raunonatsona kuti rakuchena musoro
nekuzasi ,waisazviona here kuti murume
mukuru." vakadaro gogo vachiratidza
kubatikana ndikati "ndaizviona hangu kuti
murume mukuru asi moyo ndiwo
wakandituma kuti ndimude gogo."zvikanzi
"Wakapusa fani waive wanyengerwa neyi
chaizvo ,ndidzo dzimota idzi dzamunodai
kuyemura tarira kwazvakusvitsa nhasi ,
mwana wacho unokwanisa kumuchengeta
here asina baba kudaro" vakadaro gogo
ndikatanga kusvimha misodzo yeshungu.
Tonde aive aramba hake mimba but
ndeyake.
"Ndoda kuibvisa ini."
Ndakabva ndapiwa hodzo mumusoro
mangu zvikanzi
"Uri benzi ,kubvisa kuita sei hapana mimba
inobviswa pano ,une pfungwa dzakapata
waimbovhurirei makumbo
ako ,munotitemesa musoro vana imi."

Ndakaramba ndakanyarara gogo


vachipopota. Vakazoti tiende kunorara
ndikapiwa room yangu ndokubva
ndanorara , ndakatanga ndambotarisa foni
yangu ndikaona ine message yaibva kuna
Eric yakanzi
"Wazoti chii Melly ngatidzokerane mudiwa
wangu ikozvino ndakukuda zvekurevesa
handichadi kutamba nepfungwa dzako
please dzora moyo." Ndakashaya
zvekupindura ndokuramba ndakatarisa
message yacho ndichishaya zvekunyora.
Inini ndakanga ndisingadi kuti nditambe
nepfungwa dzake nekuda kwemimba
yandaiva nayo. Ndakabva ndafunga
kutongomuudza zviripo
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Ios8pJVRKQMH
lNt7dCSxKE

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*
#0621141536

*CHAPTER 37*

*KIMBERLY*

Ndaingove neyangu iyoyo yekushingirira


kuramba kutaura muridzi wemimba. Uku
kwana Rea kwaive kwatodhakwa , zvakanga
zvatovepo zvaive zvekutoenda kuna Dudu
muridzi wemimba. Kusaziva kuti
aizozvitambira sei. Ndaive ndanzwa
nekurohwa ,nyama dzakanga dzatindiwara
kunga ganda reshato.

"Handidi kuramba ndichinetsana newe ,ibva


pamba pangu ndisati ndakuremadza."
Vakadaro mama vakamira padoor re room
yangu. Ini ndakabva ndapfugama pasi kuti
ndikumbire ruregerero.
"Mama ndinzwireiwo tsitsi ndakaita mistake
mama hongu mimba ndinayo handisi
kuramba."
Ndakadaro ndakapfugama pa floor misodzi
iri pamata. Mama vakaita nguva
vakanyarara vasina zvavataura. Vachibva
vazoti,
"nhasi ndipo pawakuda kuti ndikunzwire
tsitsi ko iwe waitadza neyi kunzwa amai
vako vaigara vachiwawata pano
ndichikutsiura uchitiza pano uchiita
zvekusverera nemadziro. Zvainakidzaka
nguva yacho ini handina tsitsi nebenzi
nekuti ndikakuregerera haungadzidzi ita
urongedze twako uyende ,izvozvi nababa
vako atisi kuwirirana nekuda kwehubenzi
hwako. Zvakuita senge ndaisaraira mwana
but ndaigara muromo wakashama pano.
Ende usadzoka hako handidi mwana ane
hunhu hwakafumuka."

"Mama kani...."
Ndakapiwa mbama ndikabva ndadonha pasi
negotsi. Mbama yacho yaiva nesimba
risingaiti zvekuti dama rangu rakasara
richipisa. Handina kana kuchema ko misodzi
yacho ndakanga ndichimbori nayo here
ndakanga ndongorwadziwa chete
ndisingabudisi misodzi.
"Lisa!!!!"
Mama vakadaidza Lisa achibva auya
achimhanya. zvikanzi
"Betsera imbwa iyi kurongedza hembe ibve
pano" vakadaro vachibuda mumba
vachiridza tsamwa. Zvokwadi ndaitsiurwa
but nhasi ndiri kuchema nekuda
kwekusaterera. Ndaiti ndiri kugona
ndisingazivi kuti ndiri kuzviisa pakaoma.
Moyo wekuda Rea uyu wakanga
wandiparira.

"Saka uri kumirira kuti ndipedze kurongedza


wakagara ipapo." Akadaro Lisa
akandidzvokora ndikabva ndanzwa hasha.
"Usiyane neni" ndakadaro akati "kuti
ndakakubata here?" said Lisa asingagayi
hake ndikati "tsikombi ye..." Akandimisa
akati "handina zera newe kimbi
ndinokurova ukanganwa zita rako ,ziva
zvemimba yako unondiudza zvehu tsikombi
wakamborohwa here iwewe ,ndiri kukuona
zvangu amai vako havana kunatsa kukurova
ungada kupedza shungu dzako pandiri ndini
ndakakupa mimba yacho here."

"Rovaka kana uchigona" ndakadaro


ndichimutorera hembe dzangu dzaiva
mumaoko ake akati "pamuromo ipapo
ndipo panoita kuti usadzikama" akabva
abuda ndikasara ndichirongedza hembe
dzangu. Hembe dzaiva kwana Rea ndaive
ndakadzipiwa na Lizzy, ndakapedza
kurongedza ndichibva ndabuda ndisina
wandaoneka. Ndakananga kuma tax
ndikabva ndakwira ndikaenda , kahana
kairova ameno Dudu aizonditambira here
chaizvo. Handina kuita nguva ndakanga
ndasvika kumba kwake ,pandakasvika
ndakabva ndambomira pa door ndichitura
mafemo ndichibva ndazovhura door
ndikapinda. Pandakaenda ku bedroom
kwake ndakarohwa nehana ndichiona
akarara pa floor. Zvakandinetsa kushaya
kuti Dudu ari kurwara here.

Ndakabva ndamhanya paari


ndikamuzunungusa ndikaona achifema. Apa
akanga azviitira weti zvese netsvina.
Ndakanzwa tsitsi ndikamudhonza kuenda
naye ku bathroom ndikamubvisa hembe
dzese ndikatanga kumugezesa. Ndapedza
kumugezesa ndakangomudhonza
kwakuenda naye ku bedroom ko
kumusimudza kwacho ndaigona here iro
rume guru rakadaro.

Ndakamuzora mafuta ndikamupfekedza


hembe dzakachena ndikabva ndawacha
hembe dzake dzaakanga aitira tsvina.
Ndapedza ndakanokurunga porridge
ndikamupakisa ,ndaitoita zvekumushamisa
muromo wacho. Dai ndaive ne number dza
doctor wandinoziva ndaigona kufona zvino
ndakange ndisina.

Ndakamusiya akarara ndika cleaner mu


bedroom umu nekuti makanga mane
kamwe ka smell kaisanakidza kunzwa.
Ndakapedza ndokugara pabed ndakatarisa
Dudu uyo aiva kuhutsi kwehope. Pfungwa
dzangu dzakambofunga kuti arohwa
nembavha. Asi ndakatarisa mumba make
ndikaona zvose zvirimo pasina chakabiwa.
Ndakasiyana nazvo ndaive ndamirira
kumuka kwake. Hapana kuzoitawo nguva
yakareba akabva asvinura maziso ake.
Akabva anditarisa akamhanyisa maziso ake
kutarisa mumba ndikati
"Wakarohwa here?"
Ndakadaro achibva aramba
akanyarara ,zvaisamboda kufungira kuti
akaitwa sei because muromo wakanga
wakazvimba.

"Nhai Dudu haugoni kupindura here" i said


achibva ati "sei uchibvunza zvauri kuona"
akadaro achindiitira tuhasha ndikati "Saka
ndofembera here handi kubvunza kusaziva
here ko zino riri kupi?" munhu akanga arova
Dudu aive amugona chaiko handi
akambondirovawo senyoka yapinda mumba.
"Ndichiri mumarwadzo zvekuti ndikurove
handidi hangu ,uri kundipa hasha
wambouya kuitei pano dai wagara kumba
kwenyu uko." Ndakapererwa chaiko
kufunga kwake aimboti agezeswa nani
nekupiwa chekudya ,I think kwaitova
kufenda nenzara plus kurohwa kwakanga
aita kwakushaya simba rekusimuka.

"Hauna mukanwa Dudu ndasvika wakarara


mudziva reweti ne duzvi raiva mubhurugwa
mako rawanga wamama ndikakubvisa but
wakutondiitira hasha kundiona sebharanzi
dai ndakusiya wakadaro haubatsirike." Kuita
kwa Dudu kwaindisvota. "Dai
wangondisiyaka ndakadaro ko kusiri kufa
ndekupi" ndikati "Ah ndazonzwa tsitsi
mwana anoda kuzoonaka baba vake uye
achichengetwa." Ndakadaro achibva
ashanduka kwakutarisa kwandaiva.
"Handina kunzwa wati kudii"
"Imbopora shaa tozotaura"
Ndakadaro ndichienda ku kitchen ndikabika
chikafu chekudya , ndakanga ndabva kumba
ndisina kudya. Handizive kuti
ndaizogarisana sei na Dudu uyu anoita
seakabarwa nguva yake isati yakwana.
Shuwa ndakanga ndatosiya musha mama
nadad kuuya kugara Dudu. Ini Dudu
ndakanga ndisingamudi hangu andidi
kunyepa ,ndaizopona here nehasha dzina
Dudu abvai ndaizotindiwara nekurohwa
hangu. Kumba kwedu handioni
sekuchadzokeka naiko kutsamwa kwakaita
mama.

Ndaifunga hangu zvese izvi ndichibika.


Ndapedza kubika ndakaisa chikafu muma
plate ndikaenda ku bedroom. "Muka udye"
ndakadaro ndichimumutsa achibva amuka
akati "hauna kuisa mushonga here?"
Akadaro Dudu ndikaramba ndakanyarara.
Pandakapedza kudya ndakanotora monarch
yangu yandaiva ndasiya ku dining
ndikaenda nayo ku bedroom ndikatanga
kurongedza hembe dzangu mu wadrope ya
Dudu. Ndiri pakati pekurongedza akabva ati

"Ndochii chauri kuita nhaiwe." Akadaro


Dudu ndikati "ndosaka ndati utange wapora
Dudu tozotaura nyaya yacho" akanga
atounyanisa huma yake kuratidza kuti ane
hasha. "Unopenga here iwewe ungaisa
zvimutsoto zvako mu wadrope yangu uye
wambouya kudii watakurana nemutundu
wako kuuya pano ,ndamboti ndoda kugara
newe here ini." ndakabva ndamira
kurongedza kwandaiita ndokubva ndagara
pabed ndikati "unowanza hasha Dudu,
nyaya yacho hausati wanzwa kuti ndeyei
yaita ndiuye nehembe pano asi
wakutopopota. Unomboziva hasha
hadzigadziri chinhu here ende
hadzimbopedzi nyaya. Ndanga ndisingadi
kutaura nyaya yacho now asi ndiri kutoona
kuti unenge usiri kurwara iwe dai wairwara
waisawana simba rekukupopota apa kana
kumbonditi thanks hako pane zvandaita.
Zvisinei hazvo ndine nhumbu Dudu kurara
tese kwataiita kuya nhumbu yakabata
ndatodzingwa kumba. Mavanga aya uri
kumaona here kurohwa uku."

Ndakazopedza kutaura Dudu ayita


zvekusimuka but ayiita achifinyamisa
kumeso kwake anenge anga achiri
kurwadziwa. "Ende une ma drama kimbi
musi uya pawakauya pano hauna kuti une
mimba ya Rea here iwewe so uri kuda
kundipa nhumbu ya Rea nekuti akairamba
uye hakudi wakuda kupa ini nekuti ndini
ndisina dzinofunga."akadaro Dudu ndikati
"kwete Dudu paya ndaitotamba ini
ndaizama kuda kuti usiye tsika yekurara
neni , Rea handina kumborara naye uya."
achibva ati "zve mimba yako andizvizivi
shaa chandinoziva ndeche kuti handina
kukupa mimba famba famba uyende
kumuridzi wayo wakadzungaira." akabva
adzokera kupinda muma blanket ndikabva
ndapera simba. Zvinhu zvacho zvakanga
zvasunama chaiko ndikashaya kuti ndodini.
Hapana zvandaikwanisa kuita kunze
kwekugara ,aizondirova hake akandiuraya
ndiripo pamba pake. Ndakaenderera mberi
nekurongedza hembe dzangu.

"Saka zvandiri kutaura hazvisi kunzika


here?" said Dudu ndikamunyararira nekuti
kuramba uchipindura munhu kunoita kuti
aite manyawi.

Kunze kwakasviba ndikatora blanket mu


wadrope ndikarara pasofa,kurara pabed
ndaitotya kurohwa naiye Dudu. Ndakarara
hangu pasofa ipapo asi ndaitonzwa kuti
hapana kunatsa kusununguka. Kwakaedza
ndiripo ndikamuka kuita basa kwakutodziya.
"Morning"
Ndakadaro ndichimhoresa Dudu but haana
kudaira ndikangoti hanya nani chidhoma
chekwa chivi ndikabva ndaita basa
ndikapedza.

Ndakabva ndaisa rice pa stove ndikaenda


kunogeza. Ndapedza ndakanopfeka hembe
dzangu ndikaona Dudu akanditarisa asi
haana chaakataura. Ndakabva ndanogadzira
soup yekuisa mu rice ndikabika ne tea
yacho. Ndakaenda nechikafu chacho ku
bedroom ndikamumutsa akatanga kudya.
Takadya pasina aitaura nemumwe kusvika
tapedza ,aifana kutozvitambira kuti ndizvo
zviripo.

"Ukapedza kudya uyende kunogeza handi


kufamba wakugona here" ndakadaro
achibva andipa ziso reruvengo chairo akati
"Andina mukadzi pano" said Dudu
achipedzisa kudya ndikati "akuti une
mukadzi ndian ndiri kutotya kunhuhwirwa
newe"
"Ndinoda kukumamisa pamuromo pako
ipapo" akadaro achisimuka ndikanomira ku
door ndikati "munhu akakurova akasiirira
dai aka....."akabva afamba kuuya kwandaive
ndikabva ndatiza ndikaenda ku dining
ndikanogara ikoko. Ndakaita tv on
ndikatanga kuona madrama.

Mazuva akafamba Dudu achingondituka


ndichimunyararira pamwe pacho
ndichipindurawo zvandinoda. Akanga apora
muromo uya usisina kuzvimba. "Asi mwana
iwe unombotemba neyi chaizvo." akadaro
Dudu takagara tichiona tv ndikati "kuita sei"
akati "kundipa mimba isiri yangu" ndikati
"pawairara neni dai waiputira zvaiva nane
zvino waitoita zvakadaro so rega kutaura
zvisina basa."
"Manje ukandiitira dzungu
ndinokurova ,ndinoziva sei kuti ndeyangu
iwe waihura nenyika yese" ndakabatikana
ndkutaura kwake ndikati "koiwe uri hure
diki here kurohwa kwawakaitwa pamwe
wainge wawanikidzwa nehure nemumwe
munhu" ndakadaro ndichidzorerawo nekuti
munhu wacho ukaita zvekupusa
anokupinda pese pese.
"Une problem zisoro rako harifungi
wakandiona ndine hure racho here" ndikati
"Saka wakarohwerwei" akati "unobuda
mumba mangu uchimhanya uri dhoti
remunhu." akabva ayenda ku bedroom
ndikasara hangu ndichiona tv. Zvekuramba
ndichinetsana naye ndakanga ndisingadi
hangu. Akava manheru ndikabika tikabva
tadya , zuva iri ndaitodawo kurara
pamubhedha nekuti pasofa haparariki.
Ndakatora jira rangu ndikakwira
pamubhedha ndikafuga jira ,Dudu akanga
ari pafoni yake. Nguva yaakaona kuti
ndarara pabed akabva andifugura jira
akarikandira kure.
"Simuka hako ndisati ndakurova ,akuti urare
ipapo ndian manje pano uchabva wega
handigari nehure rinenge iwewe." Ndakada
kuchema but ndakabva ndazvishingisa
ndikaramba ndakanyarara.
"Ko hausi kunzwa here? Ita zvekukasira
ndiri kuda kurara" ndikati
"Pasofa haparariki Dudu ndokumbirawo
kurara pano." ndakadaro akati "ndezva
nhasi chete mangwana handidi kukuona mu
room mangu." Ndakabva ndadhonza jira
ndikabva ndarara.

*REA*

"Morning dady" ndakamutswa na Dee


ndakarara ndikabva ndamuka ndikati,
"Ndiribho babe wakarara bho here?"
"Yeah ndingaonei hangu ini ndaive nadady
paside."
Akadaro Dee ndikabva ndasekerera hangu
ndakamutarisa. Akabva ayenda kunogeza
ndikasara ndakarara ,ndaimirira kuti apedze
ndione kugezawo. Taisada kunonoka
kuenda ku church. Akapedza kugeza
ndikaramba ndakafuga musoro wangu
nejira , ndaisada zvangu kuiswa pamuyedzo
na Dee uyu. Apedza kupfeka hembe dzake
akabva andimutsa ndikaenda kunogeza.
Handina kutora nguva ndirimo ndakanga
ndapedza kugeza ndikanozora mafuta
nekuchinja hembe. Dee akanga ari ku
kitchen achiita zvekubika. Ndakaenda
kwaiveri ndikanobatsirana naye kupedzisa
kubika. Takapedza tikapakura kwakutanga
kudya hedu. Takadyisana tikapedza Dee
achibva asuka ma plate tikabva tabuda
kuyenda. Takaenda nekumba kwavo sezvo
aida kunochinja hembe dzake. Takasvika
achibva aburuka akamhanya kuenda kumba
ndikasara ndiri mumota. Haana kupedza
nguva akanga atouya tikabva taenda.
Takawana church isati yatanga tikabva
tambogara hedu tichimirira kutanga kwayo.
Vayiisa deco vakaita basa ravo vakapedza.
Pakazouya pastor church yakabva yatanga
vanhu vakaimba tikanamata ndokubva
tazogara pasi. Pastor vakaparidza shoko
vachibva vamboti vanhu ngavaimbe umwe
musikana akavamba nziyo tikaimba , pastor
vakatanga kutenderera vachibata vanhu
misoro yavo vamwe vachidonha vamwe
vaisadonha havo. Pavakazosvika paive neni
na Dee vakatanga kubata Dee musoro
achibva ada kudonha ndikamugamha ,
pastor vakamira vakati

"Mwanasikana uvudze mumwe wako hope


dzawakarota" vakabva vandibatawo
musoro vakadarika. Vakapedza zvavaiita
vachibva vazotanga kunamata. Chakanga
chondinetsa inyaya ye hope dzakanga
dzataurwa na pastor. Ndakangoti regai
church ipere ndigobvunza Dee wacho.
Hatina kuzoita nguva tirimo mu church
yakabva yavharwa tikabuda. Ndakaenda
kwaiva na pastor ndikavatenda
nemunamato wavakangandibatira vakati
"Unotendei hako mwanangu ndiro basa
racho randakatumwa namwari kuzobatsira
vanotambura." Vakadaro ndikati "ndizvozvo
zvinotendwa pastor" ndakabva ndaenda
kumota ndikawana Dee atovamo akagara
hake.

Ndakamutsa mota tichibva taenda ndikati


"wakarotei babe" ndakabvunza akati
"ndakarota vanhu vaviri vaive vakazvivhara
kumeso vachibva vandibatirana
vakandimwisa drink raiva mubhotoro
ndikatanga kunzwa hope ndichiita sendanga
ndadhakwa ,pandaive ndoda kudonha
ndipo pandapepuka" akadaro Dee ndikati
"saka wainyararirei babe ,uri kufunga kuti
hope dzacho hadzina basa here" akati "eh
ndangoti dzingori hope" ndikati "haufani
kunyararaka babe ,ukanyarara hazvishandi
miyedzo wacho hauzokundi nekuti unenge
usina kunamata nezvazvo ,dzidza kuti kana
warota hope dzinotyisa muka unamate uye
uwane waunoudza hope dzaunenge warota.
Dai wamuka uchitaura ingadai tanamata
nezvazvo next time usanyarara uri
kundinzwa here" akati "ehe" ndikati
"good ,but usatya hapana chinoitika babe."
Akagutsurira musoro ndikati "ndoda
kukudzidzisa ku driver mota." Akabva aseka
aiona hake sendiri kutamba akati "aah
unoda kuti tikubheuke kani"
"Handi ndiripo here ndinokudzidzisa huya
ugare pamakumbo" akabva auya kugara
pamakumbo ndikamuudza zvaanofana kuita
ndikati "zvandataura wazvibata here" akati
"yeah parizvino ndabata" akabva atanga ku
driver paaitadza ndaidzosa mota muroad.
Takazoti takupinda mu tarred road
ndikabva ndazomuti achirega sezvo
kwakanga kwane mota dzakawanda.
"Birthday rako ririko rini?" Ndakabvunza
akati "rava padhuze,5 days left" ndikati
"okay babe" ndine zvandaida kuzomuitira
pa birthday rake.

Takasvika kumba kwana Dee achibva


anditsvoda ndikamu hugger achibva ayenda
ndikadarika kuenda kumba kwa dad.
Handina kunonoka kusvika ndakavaona
vachiona tv ndikati
"Mega mega henyu" zvikanzi
"Haa ndodini mwanangu"
Takasweresana tikambotaura dzimwe nyaya
ndikabva ndazoisa yangu mudariro.
"Ndakuda kuroora dad honai ndakura ini
hamusati moda chizukuru here."
Vakasekerera zvikanzi "ndosada chizukuru
neyi ini ndakura kudai ndinotoda
chinoswera chichindivaraidza." vakadaro
dad ndikati "munongozivawo kuti
zvekuroora handinatsi kuzviziva ndinoda
anondibatsira." vakati "hapana chinonetsa
zvinongoda munhu anozokuperekedza
kunoroora kwacho ndichazotaura
neshamwari yangu kana mazuva acho
asvika aunoda kuroora" vakadaro dad
ndikati "munenge magona dad
ndangomirira kunzwa vabereki vemusikana
wangu kuti vanozvitambira sei kana zvose
zvarongeka ndotonoroora." Vakati "uzouya
namakoti wacho ndimbomuona paya
andina kunatsa kumuona"
"Okay dad ndichauya naye"
Zuva rakavira ndiripo pamba na dad , Lizzy
akabika chikafu chemanheru akapedza
tikadya ndikabva ndazooneka ndikaenda.
Ndakasvika kumba ndikafonera Dee haana
kunonoka kudaira ndikati
"Ndakanganwa kukuudza nyaya yekuti
uzotaure nadad vako panyaya yekuroora"
akati
"Okay ndinotaura navo usatye vanobvuma
avo " ndikati
"Okay babe urare bho uye undirotewo
usakanganwa kunamata" akati
"Okay dady maita basa"

Ndakakata foni ndikanamata ndikabva


ndarara. Ndakazopepuka makuseni ne
knock yandakanzwa padoor. Handina kuziva
kuti ndian aindimutsa makuseni akadaro.
Ndakabva ndamuka ndikaenda kunovhura
door. Ndakavhunduka ndichiona pakamira
Dudu ndikaramba ndakamutarisa iye wacho
akamboita nguva akanditarisa akati
"Ndinozviziva kuti wanga usina kutarisira
kundiona pano , ndauya kukumbira
ruregerero Rea." Akadaro Dudu ndikamupa
sign yekuti pinda mumba. Aida kukumbira
hake ruregerero but ndaive
ndakatomuregerera kare uye ndakanga
ndisingachamu trust. Ndakavhara door
ndikatevera mumashure make tikabva
tagara pasi akati.
"Sorry hako Rea ndakatadza zvisingaiti
ruchiva rwakandinyengera kusvika pakuda
musikana wako ipapo
ndiregererewo."ndikati "ndakakuregerera
kare Dudu kana uchiona kuti zvawakaita
hazviiti hapana chakaipa" akati "thanks
ngatingoite zvataiita Rea" ndikati
"andichaku trust Dudu" akati "haungatadzi
Rea asi ndachinja ikozvino handichazviiti
ndakapfidza" ndakazongoti "okay" kuti
zvindibve kwete kuti ndaimu truster.
Takamboita hedu nyaya achibva azoenda.
Zvekuti ndirambe ndichifarirana na Dudu
moyo wangu waizviramba. Ende kumba
kwake ndaisada hangu kugurako.

*End of chapter*
*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/CyDcA71MNZp
APP2PnlFqjG

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*
#0621141536

*CHAPTER 38*

*MELISSA*

Ndakaramba ndakatarisa Tinashe mumaziso


chaimo ndikaona kurevesa kwake pane
zvakanga ataura. Zvino nyaya yakanga yava
pakuti ndimuudze chokwadi kuti ndine
mimba but ndaitya. Kutaura chokwadi
Tinashe ndaive ndomuda asi mimba yangu
ndiyo yaiita kuti ndizvidzore.
"Ah hazviiti Tinashe washaya hako mumwe
musikana here ,handisi kumbokushoora
hako inga hupenyu hunochinja wani
uchatovawo munhu anoshanda basa
rakanaka pfungwa yako iyoyo yakanaka
zvichaita rimwe zuva."

Ndakadaro ndokufamba kuenda muimba


yangu yekurara but handina kure
kwandakasvika akanga atondibata futi
ruoko achibva apfugama pasi neibvi rimwe
uye akabata maoko angu akati
"Please Melissa edza kundinzwisisawo
kutaura chokwadi ndinokuda hako andizivi
kuti ndokuratidza sei kuti ndiri kukuda
chaiko , hongu ndiri murombo Melissa
handirambi asi nerimwe zuva zvichaitawo
sekutaura kwako dea ,l love you babe
please fadzawo moyo wangu."
Ndakatarisa mudenga ndokumboita nguva
ndakadaro ndichifunga pekutangira kuti
ndimuudze chokwadi. Tinashe akaramba
akapfugama ndikabva ndati
"Sorry zvako Tinashe handikwanisi nekuti
ndakazvitakur...." ndakabva ndambomedza
mate , Tinashe aive akangonditarisa akati
"Watii Melissa"
"Ndakazvitakura Tinashe ndine mimba
ndosaka ndichikurambira"
Akabva asimuka paakanga akapfugama
ndokubva amira pamberi pangu akangobata
mavoko angu ndokubva anditarisa
mumaziso chaimo ndikabva ndafuratira.

"Ndiudze kuti uri kutamba Melissa? So


unoda kuzoenda kuna baba vemwana ari
mudumbu here?" said Tinashe achida
kunzwisisa ndikati "kwete hakuna
kwandinoenda muridzi wayo
akairamba ,rega ndimboenda kunorara."
ndakadaro akati "but...."
"Imbomira izvozvo Tinashe" ndakabva
ndaenda kunorara ndichifunga kuti Tinashe
achazvitora sei sezvo aioneka kuti ari
kundida zve chokwadi. Ndakasiyana nazvo
ndokubva ndamborara. Tinashe akanga
atoenda kumombe ndikasara ndoga pamba.
Pandakamuka ndakabva ndanzwa kuda
maheu apa ndakanga ndisina mari.
Nezvandainzwa zvacho zvaitoda kuti
ndimwe maheu , ndakabva ndapinda
mumba magogo ndikatora $1 ndikaenda
kuma shops ,ndaizovapa mari yavo kana
ndaiona. Ndakasvika pama shops ndikabva
ndati ndiri kuda shumba maheu ndikatenga
zviri two ndikabuda mu shop. Nguva
yandakabuda ndakaona mota ya tonde
ichisvika pama shops apa ndokubva
ndatofambisa kubvapo sezvo ndaisada
kuonana na tonde ndakanga ndamumaka
chaiko.
Ndichifamba kudaro ndakabva ndanzwa
mutsindo kumashure kwangu kuratidza kuti
kune munhu ari kutevera , andina kucheuka
ndakaramba ndichienda. Hakuna kure
kwandakasvika ndakanga ndabatwa na
tonde ndikanzwa hasha ndikabva
ndazvidzikamisa. Ndaishaya kuti
achambodei nezvangu iye aiva akaramba
mimba pachena zvikanzi "ko uri kunditizirei
melly ndakakutuka here?" said tonde
ndikabva ndafinyama kumeso ko aigoti
akandituka here ko kuramba mimba
kwaakaita kutsvinya kudiki here ikoko.
"Handisi kukutiza ini ndiri kutomhanyira
kuenda kumba ndasiya poto yangu pamoto
ndinogona kusvika yakutsva." ndakanyepa
ndaisada kutora nguva ndakamira naye
akati "okay hande unotora mamwe maheu
ndiri kuona seuri kumafarira" ndikati "no
thanks hako rega ndiende" zvikanzi "ok oh
mari yacho ugotenga hako rimwe zuva"
ndakaitora ko kujaidzirei munhu ndokubva
ndaenda. Handina kumbotarisa kuti imarii
but yaiva yakawanda zvishoma.
Pandakasvika kumba ndakagara pamvuri
ndokutanga kuzvimwira maheu angu.
Ndakamwa ndikapedza ese apa ndakanga
ndisina kumaguta ndaitonzwa kuda mamwe.

Nguva dzakafamba gogo vasati vauya


ndikabva ndatobika sadza ne beans ,
Tinashe akauya achibva auya ku kitchen
kwandaiva achibva andimhoresawo
ndikamudavira akati "gogo vauya here?"
ndikati "havasati ava ndizvo zvavanosiita
here zvekunonoka kudzoka kana vaenda
kumusangano." ndakabvunza sezvo
ndakange ndototyira gogo kungoti vakanga
vaenda havo nevamwe vemuraini. "Eh
pamwe pane zvavanonotsa havo vanouya."
Akadaro Tinashe ndokubva ndapakura
chikafu tikadya hedu. Takadya takanyarara
kusvika tapedza ndikarongedza mandiro
ndokubva tatandara tichimirira kuuya
kwagogo.

"Melissa ndokumbirawo kutaura newe"


akadaro Tinashe tichitamba makasi
ndokubva ndati "taura" ndakadaro
ndokubva amboisa macards pasi akati
"zvawataura nguva iya ndazvinzwa Melissa
ndongokuda hangu chero une nhumbu
mwana ndinozochengeta kana uchinge
watenderana neni kuti tidanane"
ndakavhunduka ndokuvhura maziso angu
ndakatarisa Tinashe. Ko zvakamboitikepi
izvozvo zvekuda munhu ane mimba yake.
"Ahh handioni sezvinoita" ndakadaro akati
"Melissa zvandiri kutaura zviri kubva pakati
pemoyo wangu nhumbu iyoyo yava yangu
handi baba vacho vakaramba here" akadaro
Tinashe ndikabva ndagutsururira musoro asi
mashoko ake aitondipedza simba. Munhu
wejaya kwakuda musikana ane nhumbu ini
ndakazvitya hangu akati
"So uri kufungei Melissa chindiudzawo zviri
pamoyo pako usanyara hako taura zvauri
kunzwa now" ndakabva ndati "thanks
nekundida nenhumbu yangu I love you too
Tinashe." ndakadaro ndichinyara achibva
anyemwerera akati "haisi nhumbu yako
wega babe ndeyedu tese handiti ,thank you
nekubvuma kuva wangu." Akabva
andimbundira tichibva tatarisana
ndikatonzwa kuda kumukisa tikabva
takisana ,takazoregedzana mushure
mekunge tanzwa kuti "gogogoi vazukuru
vangu asi matovata" vakadaro gogo vari
panze ndikabva ndatobuda panze ndikaona
vatogara pasi kwaiva hako nemwedzi
muchena.

"Maswera sei gogo ko kunonoka kudai


kwaitei" ndakadaro vakati "ndaswera
muzukuru ,tazononoka tichihoreswa
zvandauya nazvo izvi pane hupfu hwe
porridge re yellow riya nemafuta
nezvindodzi" vakadaro gogo ndikabva
ndafarira porridge nekuti rinonaka.
Ndakatakura zvinhu zvacho ndikaenda
nazvo kuimba huru ndikadzoka
kuvapakurira chikafu vakadya. Vakapedza
kudya vakaenda kunozorora marembwa
ekuswera vakamira. Ndakatandara na
Tinashe achindiudza zvehupenyu hwake
ndikamuudzawo hwangu. "Handeka
tinorara ndakunzwa hope." akati "asi uri
kuda kurara neni babe." Akadaro ndikati
"Ehe" akati "hazviiti babe unoda
ndizotukwe nagogo" ndikati "ndezvanhasi
chete plus havambozvioni ava" ndakadaro
akati "zvauri kutaura hazviiti Melissa gogo
vanozondiona sebenzi ndikadzingwa pano
iyo mari yandiri kuda isati yakwana ,
mwedzi uno ukapera ndikapiwa pay yangu
inobva yakwana ndobva ndaenda guta guru
kunoita zve mechanic" ndikati
"havambotioni Tinashe vaenda kunorara"
ndakaramba ndichishingirira iye achiramba
achibva azongobvuma but akanga asingadi.

Takaenda kuroom kwake makanga


makatogadzirwa zvakanaka ,munhu wacho
aitova nehu smart hake. Ndakabva
ndakurura hembe dzangu ndikakwira
pabed ,iye akanga akamira achiita
seanopererwa. "ko chii ukaita seusiri kuda
kuuya pabed" ndakadaro achibva aramba
akanyarara akabvisa hembe dzake akasara
neshort chete.

"But handisi kumbozvifarira babe hona


pamba pano hapasi pedu unoda ndizoita
sei" akadaro Tinashe achiratidza kutya
ndikati "sei uchitya kunga munhu kadzi nhai
Tinashe" paakanga oda kupindura ndakabva
ndamukisa ndikaenda pamusoro pake
tikakisana achidzorerawo. Takaita nguva
tichidaro ndikamubvisa mubhurugwa rake
ndikanzwa junior wake atotsamwa ndikabva
ndatotanga kuita basa, ndakanga
ndazvisuwa ini ndikapedza ndikabva ndati
"thanks sweetie" akati "okay babe asi
ndanga ndisingadi kuita izvozvo hazvichina
hazvo basa ko wadii kuchinorara hako
kuroom kwako" ndikati "okay urare bho
ndakuenda" ndakabva ndabuda ndikaenda
kunorara.

*DELIVERANCE*

Ndaitove mu bathroom ndichigeza


ndikanzwa gogo vachitaura vakamira
padoor "Deri uri kuita here zvandakataura
zviya" vakadaro gogo ndikati "zvipi gogo"
vakati "haa iwe zviya zvandakati ukweve
zvaita here handidi kuti ndizoshoorwe
nemuzukuru komana nekuti akaona zvisipo
anoshoora inini achiti gogo vakatadza
kudzidzisawo muzukuru wavo here."
Ndakaseka hangu ndikati "zvakaita gogo
zvatova bho izvi makaita basa vamaChuma"
vakati "gudhu uchadadisa uchazonditenda
hako rimwe zuva" ndakangoseka zvangu
ndikaenderera mberi nekugeza. Ende gogo
vaida kuziva kuti zvaita here zvechokwadi.
Apa Rea wacho aive akatozviona hake ende
ndakanga ndafunga kumupa zvinhu zvake
zvisati zvakobvorwa nevanogona. Zvino
munhu wacho ndakatoshaya kuti munhu
rudzii asinei nazvo ,ini ndaitoti
ndinotodamburwa humhandara izvo
ndaizvinyepera aitotatura zvekutanga
aroora. Ndakangoti ndiye ega dai ari
mumwe aitoti dzawira mutswanda plus ini
ndakanga ndozvida ende ndakatsamwa
paakaramba.
Ndakapedza kugeza ndikanochinja hembe.
Ndapedza ndakanobika tea ndikagadzira
chingwa ndikadana gogo vakauya tikatanga
kudya. "Muzukuru wenyu akuda kuroora
gogo anganzi amhanya here ini ndakudawo
kugara naye hangu tarirai kuti miyedzo
yacho iri kuwanda gogo." ndakadaro
ndichiudza gogo vakati "hapana chakashata
zvekukasira izvo hazvina kumboshata
zvakutodawo kuti mugare mese nekuti
zvauri kusangana nazvo zvakaoma zvinoda
mugarisane hapana chinozomboitika."
"Yeah gogo pamwe ma problems acho
angaita mashoma ndikapedza kudya pano
ndoda kunotenga airtime ndofonera baba
vauye mutaure navo ini ndinonyara." vakati
"Zvakanaka kana vauya ndinotaura navo."
Takapedza kudya ndikasuka mandiro
ndichibva ndabuda kuenda kuma shops.

Ndakasvika ndikatenga airtime yangu ,


nguva yandakanga ndakudzokera kumba
ndakabva ndaona musikana uya
ekumbondirova achiti mukadzi wa Rea.
Aingocheuka cheuka achitarisa kwese
kwese ndikashaya chaaitarisa chacho.
Ndakamboda kumusiya but ndakabva
ndafunga kamuroverwo kandakaitwa naye
ndikabva ndanzwa zvihasha zvichiuya
ndikafamba kuenda kwaaiva. Akanga
asingandioni sezvo akanga akandifuratira ini
ndokubva ndafambisa ndikasvika
nekumubata huro yake ndikamudzipa.
Pasina nguva ndakanzwa sendachekwa
ruoko rwangu ndikamu pusha achibva
adonhera kure ndikaona chinhu
chakadonha kubva muroko rwake
ndikafamba kunotarisa kuti chii ,kunodai
wanei ibanga amana ndakarohwa nehana.
Munhu wemusikana anofamba nebanga.
Ndakabva ndamukwapaidza mambama ,
ndakanga ndoshungurirawo
nepaakandirova paya aizotoona
sendakapusa.
"Haa ndaisaziva kuti uri muroyi unotofamba
hako nebanga ,wanga uchitsvaga ini here."
akati "iweka ndakakuudza kuti siyana
nemurume wemunhu hausi kuda kunzwa
handiti ndaida kukudhedha zidumbu iroro."
Ndakamukava bhutsu mudumbu achibva
agomera, pandakanga ndachekwa paya
pakanga porwadza manje. Nguva
yandakachekwa paisarwadza sezvo pakanga
pachiri nechiveve. Ndakabva ndamugara
dumbu rake ndikabva ndatanga kumurova
zvibhakera kumeso. Aida kundijairira zvino
zvaiva zvamuwana. Ndapedza kumurova
ndakamusiya aripo ndikaenda kumba.
Ndakaudzawo gogo zvandaive ndasangana
nazvo vakangopererwawo. Baba
ndakavafonera vakati vanosvika manje
manje.

Nguva dzakafamba vakabva vauya


takakwazisana ndikavagadzirira chekudya
vachibva vadya. Vapedza gogo vakabva
vatanga nyaya,
"Mwana ane shamwari yake iri kuda
kuroora saka tinoda kunzwa iwe baba vacho
kuti unoti kudii nazvo." vakadaro zvikanzi
"Ah Delly atokura zvekuda kuroorwa here
nhai mama ,achiri mudiki uyu handioni
sezvinoita." zvikanzi
"Chisingaiti chii ipapa kuti zvanzi ari kuda
kutizira here kana kuti ari kuda kutobvisirwa
mari. Zvino ukati hazviiti zvashandei nekuti
anogona kuzototizira nekuda kwekuti
unenge waramba" vakadaro gogo zvikanzi
"kutotyira mwana wangu kuti
anozoshungurudzwa mama ,kana pachida
hapo kubviswa mari hapana chakashata."
zvikanzi "kushungurudzwa kuita sei munhu
wacho anonamata uyo handioni seane
nguva yekuswera achishungurudza mumwe
wake ,saka unoda zviitwe zvarini nekuti
mukwasha akatogadzirira andioni sepane
chinoda kurongwa."zvikanzi "ndinoda
kuzozivisa vanin'ina vangu nedzimwe hama
dzose so marooro anenge ariko weekend
ndipo pandinenge ndiri pa off uye ndenge
ndambozivisawo vamwe" vakadaro baba
ndikanzwa kufara hangu gogo vakati "hoo
ko weekend yacho imbori kure here
padhuze apa ndichazivisawo maiguru va
Deri vagomira samai vake , mari yacho
inozoshandiswa pakuzogadzira guva ramai
vake." vakadaro zvikanzi

"Yeah ipapo mafunga mama rakanga


rakutsemuka guva racho rinotoda
kugadzirwa patsva." Vakapedza kukurukura
baba vakati vakuenda ndikabva
ndavaperekedza kumota vakati "zvauchada
kudadisa nhai mwanangu saka zvoreva kuti
ndatokura kaa ndakuda kuita mukwasha."
ndakaseka ndichinyara ndikabva
ndanyarara vakati "byee Delly tozoonana
kumarooro ako handiti" ndikati "horaiti
baba mufambe bho" vakabva vaenda
ndikadzokera kumba. Ndakanga ndane
mufaro wakawanda baba ndivo
vandaitotyira kuti vanogona kuramba zvino
vakanga vatobvuma havo. Ndakaudzawo
Rea akaratidza kufara chaiko.

Mazuva akafamba Rea achindidzidzisa ku


driver mota kusvika ndagona , kubva
zvandakaona musikana uya ndikamurova
handina kuzombomuona futi. Ndaive
muroom mangu ndakarara ndikanzwa foni
yangu ichi ringer
"Hello dady" aiva Rea akati
"Mai mwana svikai kuno" ndikati.
"Kunei Rea" akati
"Ingouya kani babe"
Ndakabva ndatochinja hembe ndikaudza
gogo kuti ndichambobuda ndikabva
ndaenda. Ndasvika ndakapinda mumba
ndikarohwa nehana ndichiona mumba
mune zvima flowers ndikazokuvhunduka
ndichiona pakanzi HAPPY BIRTHDAY BABE ,
apa ini ndakanga ndatozvikanganwa kuti
ndine birthday rangu. Rea akabva auya
kundimbundira akandiimbira happy
birthday ndikati "thank you dady".
Akandibata ruoko tikaenda ku bedroom
ndikaona mune ka table kaiva kakatsvetwa
cake nema drinks ne pizza,machips
nechicken inn. Veduwe ndakafara kani Rea
aive andiitira zvandakanga ndisingafungiri.
Ndakava nemufaro wakanyanya tikatanga
kudya apa taingove two hedu. "Idya
mukadzi wangu ndatengera iwe." Ndakadya
ndikazvimbirwa chaiko zvekuda kuputika
dumbu. Tapedza kudya akabva ati vhara
maziso ako ndikabva ndavhara tikabuda
panze ndakangovhara maziso. Ndakazonzi
ndivhure ndikaona mu garage mune mota
itsva ndikatadza kuziva kuti ndeyani.

"Ndeyako babe wangu ye happy birthday."


handina kuzvi believer ndokuramba
ndakatarisa Rea, ndokubva ndatarisa futi
mota iyo yaitopenya hayo kuratidza kuti
inew chaiyo. "Hauna kufarira mota?"
Akabvunza Rea mushure mekunge
ndaramba ndakanyarara uye ndakato stika
hangu ndichitadza kuzvi believer kuti mota
ndeyangu. Ndakaita zvekuvhunduka ndikati
"Rea une shuwa kunditengera mota tisati
tamboroorana handisi kuzvi believer kuti
mota ndeyangu."

Ndakadaro ndichitenderera mota yacho


ndichingoibata pese pese. "Saka hausi
kufara handiti" akadaro Rea.
"Kwete dady ndiri kufara kungoti ndanga
ndisina kuzvitarisira" ndakadaro
ndichimumbundira ndikamutsvoda
pamuromo akati "babe wangu zvekuti
hatisati taroorana hazvina basa ndangoti
ndikufadzewo sezuva guru rako
rekubarwa ,handi kuswera mangwana ndiro
zuva remarooro watova wangu babe"
akadaro Rea ini ndaingosekerera hangu
nekuti zvandaive ndaitirwa izvi zvaiva
zvikuru uye ndaive ndisati ndambozviitirwa.
"Thank you dady wakandikoshera Rea
zvawaita nhasi zvikuru kwandiri ndinoti
rudo rwako urambe unarwo Rea."
Takambundirana tikabva tadzokera mumba
ndikagadzira mu bedroom make sezvo
makanga masviba ndikapedza
ndikarongedza zvakanga zvasara ndikaisa
mu paper bag ndaida kunopawo gogo
vangu.

"Mota uri kuenda nayoka ,ko kumusha uri


kutungamira kuenda here babe" akadaro
Rea ndikati "yeah ndinofana kuyenda
mangwana kunogadzirawo pamba kuti
vanhu vagosvika pakanaka." Akati "unoenda
nemota yako"
"Yeah ndichaona"
Ndakabva ndamubikira chikafu chemanheru
ndikapedza , ndakanga ndoda kuenda
kumba manje akabva andipa makiyi emota
veduwe zvainge dambe kuti ndane mota.
"Byee ufambe bho babe"
"Okay Samaita wangu"
Ndakadaro ndichimutsa mota nyemwerero
iri kugotsi chaiko. Ndakavhurirwa gedhe
ndikabuda ndikamubhaibhisa ndikaenda.
Hupenyu hunochinja wena ndakanga
ndatove nemota sekutamba sekuseka ,ende
ndakabva ndaona kuti Rea akaperera
pandiri.

Ndakasvika kumba ndikapinza mota muyard


ndikaona gogo vachibuda vakati "yuwii
yuwiii imota yaaniko Deri iwe" ndakaseka
ndichibuda mumota ndikati "ndeyangu
gogo ndatengerwa nemuzukuru
wenyu ,nhasi izuva guru rangu." ndakadaro
ndichivatambidza bepa raiva nezvinhu
zvandakanga ndavavigira vakati "vamwe
vanhu vane mari zvokwadi itsvaka mota iyi."
"Ehe gogo" zvikanzi
"Makorokoto kani wakufambawo
nemuchovha ,wombozorora kukwira mota
dzevanhu." Gogo vaitonakirwa zvavo ende
vaioneka kuti vari kufara.
"Mangwana ndinofana kuenda kumusha
kunogadzira pamba ,ko makazofonera
maiguru here." vakati
"Rega nditofona ndisati ndakakanganwa."
Vakabva vasara vachifona ini ndichibva
ndapinda mumba ndikananga kuroom
kwangu. Gogo vakazotevera kwandaiva
vakati

"Ndataura naye anga amboramba hanzi hee


ndinoidiiko mari yandinayo ndambopedza
here ndikamuudza kuti mari iyoyo
yauchapiwa haisi yekuti udye iwewe asi kuti
ndeye kuti guva re munin'ina wako
rigadzirwewo rinake chero Mai vemwana
vanofarawo nazvo kwavari ikoko. Iye chake
kungonomira samai chete kuti atore mari
yacho anodya aah ko angaidii iye aine
mazimari akawanda." ndikati
"Vanhu vane mari vanonetsa gogo kana
vabvuma havo zvakanaka vanokuziva here
kumusha." vakati
"Anokuziva uyu kungoti akaguma kuendako
mai vako vachiripo uye wakanga uchiri
mudiki hako, ndamuudza kuti kuswera
mangwana ndipo pachaita marooro."

"Hoo saka toenda tose here kana kuti


mozotevera nemuzukuru wenyu kana kuti
nababa" vakati
"Ndichaona muzukuru."

Ndakabva ndamborara hangu


pandakazomuka ndakabva ndavafonera
ndichivabvunza kuti vari kuenda rini kumba
vakati vanoenda zuva remarooro makuseni.
*End of chapter*

*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/FPNIYA8MBTd8
xbodoPAXq0

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*
*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 39*

*KIMBERLY*
Ndakarohwa zvandakanga ndisingafungiri
veduwe. Ndakafenda ndikamukira
kuchipatara nurse vakati ndaive ndo
bleeder vakandipa mapiritsi ekumisa blood.
Ndakabuda muchipatara ndikabva ndaenda
kumba ,ndaisaziva kuti musikana wa Rea
anorova zvekudaro ini. Ndaitoona
sekakapusa izvo kakatongwara zvako.
Pandakasvika kumba ndakaona Dudu
akagara achiona tv , ndakanga
ndakamutsamwira nenyaya yekundituma
kuti ndicheke musikana wa Rea ini
ndakanga ndisingachadi zvekunetsana
nevanhu. Kuri kuti Rea wacho akandiona
handi anondirova here ndizvo zvandaisada
hangu.

"Ndofira mhosva dzako here Dudu"


Ndakadaro achibva abvisa maziso ku tv
ndokunditarisa akati "uri kuti chiiko?"
ndikati "shaa ndamukira kuchipatara uko
nekuda kwekurohwa kwandaitwa ,ita
zvinhu zvako wega sha" akati "ndakuudza
kuti kana usina kucheka musikana iyeye
usadzoka pano so wadzokerei?" ndikati
"endaka unomucheka wega ugobviswa
rimwe zino." akanditarisa zvekupererwa ini
ndakanga ndatopedza naye anofunga kuti
kucheka munhu inyore here akati "uri kuda
kurohwa neni ndiri kukuona hangu
zvekubviswa zino zvabvepi. Apa hauna kuita
zvatataurirana futi kana zvakadaro dzokera
kumba kwenyu" ndikati "unotopenga sha
unoda kuti mimba yako ichengetwe
nani ,pano ndipo pandisingabvi shaa
ungandirova zvako but pano handibvi."

Zvandaitaura zvaimubhowa nekuti


ndaitoona kakufema kacho kuti ndeke
hasha. Ndakaenda ku kitchen ndikanopopa
ma popcorn ndikadzoka kugara ku dining
ndikatanga kuonawo firimu raiona Dudu.
Ndakaisa plate yangu pamakumbo
ndikatanga kudya , Dudu akabva anditarisa
ini ndikaramba ndakaisa ziso rangu ku tv ,
nguva iyoyo akabva ati "Saka iwewe uri
kuda kutokorera pano handi." ndaisada
kuseka but ndakabva ndaridza chikwee
chinomubhowa achibva ati "zvandataura
pane chinonakidza here?" said Dudu ndikati
"zvaunonyima kunga mukadzi ,nanhasi uri
mukadzi nekuti dai uri murume
waisabviswa zino iwe." ndakaona Dudu
akusimudza ruoko ndikabva ndasimuka
nekukasira ndikanogara kure naye. Anoda
kuzviita munhu anotaurisa kana
ndotaurawo oda kundirova.

"Pandinokubata ndinokumamisa zvekuti


unozviwetera" ndakaramba ndakanyarara
ndikazoti "usati kana iwewe wakarohwa
ukazviitira weti zvese nekuzvimamira wobva
wati neni ndingadaro haaa iwe unonakirwa
iwe", ndakadaro ndichiseka hangu ende
ndega ndaitoona kuti imba ino ndeye
mapenzi hapana kana chine musoro
chatinenge tichitaura, pasina nguva foni
yake yakabva yarira achibva adaira
achinyemwerera zvakanzi
"Babe"
Akadaro Dudu achitadza kugarisika
nemufaro ,foni yacho yakaiswa pa louder
zvikanzi nemunhu akanga afona,
"Hesi kani hunny ndadzoka Zim ndiri ku
airport hazviiti here kuti uvuye kunditora."
akadaro munhu uya , voice racho raiva
remusikana zvikanzi "rega ndiuye babe
ndanga ndakusuwa shaa rega ndimbogeza
ndosvikako time time." Dudu akabva
asimuka akaenda kunogeza. Ndakabva
ndanokiya door makey acho ndikaisa
mubraa ndikabva ndadzoka kuona zvangu
firimu.

Kupi kwaaida kuenda achindisiya ndega


ende zvevasikana vake izvozvo ndaida
kuzvivharisa ,tsvee kuita busy neni ndine
mimba yake otoda kunorezvana nema slay
queen ake manje neni akuna izvozvo. Dudu
haana kupedza nguva ari mu bathroom
akanga atopedza ndikamuona atochena
chena hake shasha ichingo smiler
kasingaperi ,akatora ma keys emota achibva
ayenda ndikasara ndichisekera mumoyo
hangu. Pasina nguva ndakaona shasha
yodzoka akatsvukisa maziso ndikaramba
ndakatarisa hangu pa tv ndichiita sekuti
hapana chandiri kuziva.
"Ndian akiya door nhaiwe" ndikati
"Unobvunza ini wandiona ndichienda
kunorikiya here? Uri kuda kumboenda kupi
kwacho" ndakabvunza ndichitsenga tsenga
ma popcorn akati "handisi kuita ma funnies
newe kimbi ,ndipewo zvee makiyi angu"
ndikati "andina ma key ako toraka kana
uchimaona sei uchida kudenha"

"Babe rangu rakandimirira uko ita


zvekukasira apa uri kundinonotsa" akadaro
Dudu ndikanzwa godo ndikati "uchiri kuda
kuita zvevasikana Dudu ini ndiri pano
mukadzi wako unoti zvichachinja here ,udza
musikana iyeye kuti wakaroora." akabva
aunyanisa face yake ndikatarisa side
zvakanzi "ndokumbirawo ma key kimbi"
akataura akapora ndikati "ndinonzwa sei
kana uchitaura nemusikana wako ndiripo
Dudu , handina kuuya kuzonakirwa
nekugara pano but ndakauya kutororwa
newe sha" ndakadaro akati "hatina
kumbororana kimbi inini ndinoda babe
rangu ende ndiro randicharoora zvako izvo
zvekuda kundipa mimba isiri yangu
ndezvako izvo handizvizivi." Dudu
aitoshingirira yake iyoyo yekuramba mimba ,
ndakaramba ndakanyarara ndichinzwa
kurwadziwa mumoyo mangu. Handizivi kuti
aizobvuma kana zvadini chaizvo.

Ndakasimuka ndikaenda ku bedroom


ndikarara pabed ipo paaindirambidza ipapo.
Ndakanzwa otevera ndikaramba ndakarara
"kimbi ndiri kukumbirawo undipe ma key
mune zvakanaka handisi kuda kunetsana
newe kana kukurova." Ndikati "Dudu Saka
uri kuti mimba yandinayo ndeyani kana iwe
uchiiramba" akati "ah iwe handiziviwo
handi waingovhurira munhu wese
makumbo ako." ndakabva ndatanga
kuchema ndakarara handina kuzoda
kuramba ndichitaura naye , akaramba
achindikumbira ma key but handina
kumupa. Akadzimara aneta achibva agara
pasi. Hameno musikana wake akamuudza
kuti chii. Ndakanzwa Dudu akutura mafemo
ini ndikakwiridzira zvimadzihwa zvikanzi
"Usafunga uchiti wandigona dai ndaida
kukurova ingadai ndakurova kare ndiri
kutokunzwira tsitsi because unogona
kuzomukira ku clinic ,ungada kundivharira
mumba kuti ndiri murume wako here."

Ndakaramba ndiri zii hangu ndichiita


sendisinganzwi zvaanotaura. Nguva
yekubika yakakwana ndikaenda kunobika.
Ndakapedza ndikapakura chikafu ndikanopa
Dudu chake. Ndakapedza kudya
ndikatopinda muma blanket. Dudu akangoti
kupedza kudya achibva atoita busy nefoni
yake. Pandakanga ndoda kubatwa nehope
ndichibva ndamutswa ndikati "ko
unondimutsirei nhaiwe" ndakanga
ndongozhamura kasingaperi akati "uri
kuzviti uri mukadzi wangu but uri kurara
nehembe wani so ndorara nenzara here?"
akadaro Dudu ndikadzokera kurara , kubva
zvandakanga ndauya kugara pamba pa
Dudu haana kumbondibata. "Ndiri kutaura
newe kimbi" ndikati "tanga wasiyana
nechisikana chako" ndakadaro achibva ati
"nyaya iyoyo imboyiisa pa side ,ngatimboite
zvemukadzi nemurume ngatisimbise
mwana"
"Ndipo foni yako" akati
"Unoda kuidii" ndikati
"Ingondipe chete ndine zvandiri kuda kuita
nayo" akandipa but yaiva ne
password ,ndaitoda kubvisa number
dzemusikana wake. Ndakamuti avhure foni
yake achibva aramba ndikasiyana nazvo.

"Ndokumbirawo babe ndine nzara wena


ndane mazuva ndisina kumbodya"
"Wakundinyengerera manje nekuti wakuda
kupedza nyota yako" akati "kwete babe
kungoti handisati ndanatsa kuzvitambira
kuti watova mukadzi wangu."
Akandinyengerera kusvika ndabvuma
tikabva tatamba mutambo wevakuru.

Mangwana acho ndakamuka ndikaita basa


rese ndikabva ndaenda kunogeza. Dudu
ndaive ndakazomupa makey ake. Ndapedza
kugeza ndakanopfeka hembe dzangu
ndikaenda ku kitchen kunobika. Ndiri ku
kitchen ikoko ndakanzwa Dudu achiita
seane munhu waari kutaura naye ari ku
dining. Ndakafunga kuti ari pafoni but
ndakazonzwa zvikwee zve vanhu vaviri
ndikabva ndaenda ikoko. Ndakazopera
simba ndichiona Dudu akagara neumwe
musikana vachizemberana ndikanzwa godo.
Ndakanogara pasofa rangu ndega ndikaita
tv on ndikatanga kuona hangu
zvaibudapo ,ndakazonzwa zvonzi

"Ndiye maid wawakugara naye here babe"


akadaro musikana wacho ndikanyangadzwa
zvisingaiti , Dudu akaramba akanyarara
zvikanzi "udza maid wako andipewo mvura
babe" veduwe ndakada kusimuka kukapa
mbama but ndakazvidzora ndokuramba
ndichiona tv ndichiita sekuti hapana
chandiri kunzwa
"Haasi kunzwa zvakanaka babe enda
unotora mufiriji." akadaro Dudu zvikanzi
"nganotora mhani babe anonyepera
kurwara uyo ,nhaiwe musikana endawo
zvee unonditorera mvura ndiri kunzwa
kutsva" ziso randakamupa rakanga risina
kumira zvakanaka zvekuti dai ziso raimedza
munhu ingadai akamedzewa neziso rangu
zvikanzi na Dudu "musiye mhani babe enda
unotora wega"
"Ndakaneta babe sei usingandinzwiri
tsitsi ,ngaende musikana uyu" ndakasimuka
ndaona kuti zviri pano ndingaguma ndarova
munhu ndokubva ndaenda ku bedroom
ndikarara. Ndakanga ndatone stress
hameno Dudu aizochisiya rini chihure chake.

Zuva iri handina kana kubika , ndakanga


ndisisina simba racho rekubika. Dudu
akazouya ku bedroom ndikamunyararira ,
hameno musikana wacho akanga aenda
nguvai.

*DELIVERANCE*
Ndakamuka kuseni ndikaita basa ndokubva
ndazogeza ,ndaitoda kuenda kumusha
achiri makuseni nekuti ndaitoda kusvika
ndichiita basa. Rea ndakanga ndakataura
naye manheru achiti ari kumukira kuuya
kumba aiti ane zvaanoda kundipa.
Ndakapedza kugeza ndikapfeka smart raiva
bho ndokubva ndatakura kabag kaingova
nezvi hembe zviviri chete ne bhutsu dzacho.
Pandakapedza kurongedza zvinhu zvangu
ndakabva ndaenda kuna gogo ndikati

"VamaChuma wee toonana mangwana ini


regai ndifambe fambe achiri makuseni
sezvo ndinoda kusvikawo ndichienda
kuhuni nekutsvaira tsvaira kuti
zvizoonekerawo." ndakadaro gogo vakati
"Zvakanaka muzukuru pane paunganoita
basa wega here mama vari ikoko
vanokubatsirawo kuita basa
racho ,usazoshanda zvekuzviuraya
muzukuru wangu." said gogo ndikati "haa
gogo ndinoita ndega ini zvingaita here kuti
nditume vanhu kuti tezai huni ah
handizvigoni ini zvinozoita sendinodada
ndinongoita basa rangu chinyararire kana
vada kundibatsira tobva taita zvedu tese."

"Yeah chienda muzukuru unoitawo basa


racho nguva iripo ndiko kuti
uzokurumidzawo kuzorora" ndikati "saka
motevera mangwana nemuzukuru wenyu
here?" vakati "handioni sezvinoita kuti
ndizosvika nemukwasha ndichauya nababa
vako handi vanoenda nemota here
yekubasa kwavo" ndikati "yeah regai
ndizovaudze vauye vachizokutorai."
Ndakabva ndabhaibhisana nagogo
ndikatora makiyi angu emota ndikabva
ndamutsa mota ndikabuda gedhe. Pasina
nguva Rea akabva asvika tikamhoresana
nehug nekiss.
"Kuchena here mai Chimiro" akadaro Rea
ndikaseka ndiko kaitova kekutanga kudaro
ndikati "ah dady handina kunyanya kuchena
ini" akati "babe wangu wakandichenera
hako , ndauya kukupa mari yekuti ufambe
uchishandisa mu road handidi kuti ufe
nenzara mukadzi wangu. Plus kumusha uko
unogona kusvika kusina chekubata so
unogona kutenga zvishoma zvekusvika
nazvo zhinji ndinouya nazvo mangwana
babe"

Ndakamumbundira ndichinzwa kufara ende


Rea anoziva veduwe ini ndanga ndisina
kumbozvifunga zvekuti ndingagona kusvika
kumba kusina chikafu. Kusaziva kuti baba
vakanga vachiri kutumira here food kana
kuti vakatorega nekutsamwa kwavakanga
vakaita. "Thank you dady ndanga ndisina
kumbozvifunga hako" akati "okay babe so
hande tinotenga tiite zvekukasira ukasike
kufamba handidi usvibirwe muroad umu."
Ndakabva ndapinda mumota yangu iye
achibva apindawo mune yake. Ndiye aiva
mberi ini ndiri mumashure make tikasvika
pashop yacho ndokubva ndadzika tikapinda
mushop macho. Rea akatotenga
zvakawanda apa aive ati totenga zvishoma
ndikati "zvauri kuwanza grocery racho nhai
Rea" akati "harina kuwanda babe
ratokwana now ngatiise ku bhuti." Takaisa
kubhuti kwacho zvikakwana zvikanzi
"yeah ,nhasi hadzimbobati ndichiziva kuti
waenda kumusha uko" ndakaseka ndikati
"haa dzinobata kani dady" akati
"ndakutokunonotsa babe chindibhaibhisa
ndiende hangu" ndakabva ndamukisa
achibva adzorera ,takaramba tichidaro
tichibva tazoregedzana akati "ufambe bho
mukadzi wangu ndokuona mangwana
handiti tenge tichitaura pafoni hedu"
"Okay dady usare bho"
Ndakabva ndamutsvoda ruoko rwake
ndokubva ndapinda mumota. Ende moyo
waitoda zvekuramba ndina Rea
ndikatoshingirira kumufuratira ndokubva
ndamutsa mota ndokuenda. Ndakatarisa
Rea nepa view mirror ndikaona akachamira
akangoyeva mota yangu kusvika ndapota
ndisingachamuoni.

Mutara ndaimhanyisa mota zviri


nane ,ndakazoti ndapinda mu dust road
yekuenda kumba ndoku driver zvishoma
sezvo mahambu aive akanyanya kuwanda.
Ndakasvika kumba kwatove kuma 2 ,
ndakaona mama na Mona vakagara pasi
pemuti ndikamboramba ndiri mumota
ndakagara. Ivo vakaramba vakatarisa
kwandaiva vachizama kuda kuziva kuti
ndian asvika. Pandakaburuka ndakavhara
door remota ndokubva ndafamba kuenda
kwaiva namama na Mona. Ndakavaona
vachitarisana miromo yakavhurwa kuratidza
kushamisika.

Takamhoresana vachinatsa kunditarisa pese


pese ndikati "makadii mama" ndakadaro
vachibva vati "ndinofara hangu" ndizvo
chete zvavakaita ndikati "zvirisei sisi Mona"
akati "ndiribho hangu urisei hako" akadaira
asina kana kutsamwa ndikati "ndiri right."
chakandinetsa mama vaive vaonda kusara
musoro chete. Ndakashaya kuti chii chiri
kuvaonza. Ndakabva ndasimuka
ndikanobudisa grocery raiva kubhuti
ndichisimudza ndichinoisa ku bedroom.
Nguva iyoyo mama na Mona vaitaura
zvishoma zvandakanga ndisinganzwi.
Andina kumboita basa nazvo, pasina nguva
Mona akauya kundibatsira kusimudza
zvinhu tikapinda mumba zvikanzi "imota
yako shupi?" said Mona ndikati " ndinonzi
Deliverance" ndakadaro nekuti kazita ikako
kaindibhowa akati
"Oh sorry Dee kungoti ndanga ndajaira kuti
shupi" ndikati "yeah ndeyangu ndauya kuno
nekuti mangwana pari kuitwa marooro
angu." ndakadaro achibva aramba
akanditarisa ndokubva azoti "marooro?"
ndikati "Ehe ndoda kunotsvaga huni" akati
"oh Mwari vakanaka shuwa Dee
wakutoroorwa inga hako dea hande hedu
kuhuni kwacho" akadaro Mona ndikati

"Ko Melissa ari kupi" akati


"Akaenda kwagogo ndichamuisira message
agouyawo" ndikati
"Okay"
Takabva tabuda ndokutarisa hata dzacho
nemasungo ekusunga huni dzacho.
Takubuda chivanze zvikanzi namama
"nhaiwe Mona uri kuendepi "akati "huni
mama , mangwana panzi pane marooro
pano pari kudiwa huni dzekuzobikisa" vakati
"ah dzoka ndine kwandoda kukutuma" akati
"mama mondituma ndadzoka regai
ndiperekedze Dee angaenda ega here
ndiripo."

Haana kuzomirira kunzwa zvakataura mama


takabva tatoenda. Mona akatanga
kundibvunza zvekuti wanga uripi
ndikamuudza akati "wachinja Dee
kutsvukira chaiko" ndikati "thanks Mona"
takateza huni dzedu tikakwanisa ndokubva
tadzokera kumba. Mama vakanga vaku
bedroom kwavo Mona akati "rega ndinzwe
kuti mama vari kuda kundituma kupi"
"Okay ndichambonotsvaga matsvairo
ekutsvaira chivanze mangwana" akati
"Okay"
Akabva apinda mumba ndikabva ndaenda
kuseri kweimba huru ndichida kuterera
zvavanotaura.
"Hanzi mota ndeyani?" Vakadaro mama
ndikabva ndanatsa kuswedera pa window
but ndaive ndakachonjomara ndisingadi
kuonekwa zvikanzi "ndeyake mama
angauya nemota isiri yake here" akadaro
Mona zvikanzi "eish saka marooro ari kuda
kuitwa ndeake here" zvikanzi "ehe mama"
vakabva vambonyarara zvikanzi
"kaimbovepi Shupikai kacho" zvikanzi
"Haachadi kunzwa zita iroro mama ati aiva
Harare" said Mona zvikanzi "uhm
zvakaoma" vakadaro vachitura mafemo
zvikanzi "rega aite ega basa racho handi
ndeake marooro acho ari kuda kuitwa"
"Mama zvinoita here zvamuri kutaura
izvozvo ngatisiye kuita shanje mama sakei
Mwari vachitirova neshamhu inorwadza
nekuti hatidi kuona zvakanaka tinobva taita
godo ngatisadaro mama"zvikanzi
"Mona!!"

Vakadaro ndikabva ndamhanya kupinda


musango ndikatanga kutsvaga matsvairo
angu. Saka zviri kureva kuti mama vari
kundiitira godo nhai , Mona ari kuratidza
kuti ava munhu kwaye nekuti aitotsiura
amai vake. Ndakasiyana nazvo zvemunhu
ane godo handingazvigoni hangu.
Ndakakwanisa kutsvaga matsvairo angu
ndikadzokera kumba. Nguva yakanga
ichiripo ndikabva ndaturunura mandiro ose
ndikaisa panze. Ndapedza ndakatanga
kusuka , Mona aikorobha mumba
paakapedza akabva andibatsira kupedzisa
kusuka mandiro. Takazopedza hedu ndikaita
zvekubika zviya zvekunzi handifani kubika
ndakambozviisa paside. Ndakapedza kubika
ndikapa vanhu chikafu tikabva tadya.

Mama vakanga vangori zii Mona ndiye


aitotaura neni nyaya. Takapedza kudya
ndikanorara na Mona ndakanga ndaneta
ndikarara hangu sezvo ndaida kumuka
ndichitsvaira chivanze.

Kuchiedza ndakamuka kutsvaira chivanze ,


Mona akazomuka ndave kutopedza andina
kuda kumunetsa ndakangozvimukira
chinyararire. Takazobatsirana hedu
kupedzisa , takapedza ndokuchereredza
mvura muma bucket. Nguva iyi ndipo
pakasvikawo gogo mai vababa
vangu ,ndakasiya zvandayiita ndikagashira
gogo ,"ndiwe here Dee muzukuru" vakadaro
gogo ndikati "ndini gogo titambirezvee"
vakati "unotambirei hako ,ko kugoita
kamukaradhi kudaro"vakadaro vachiseka
ndikati "makuwanza gogo handei munogara
mumba panze pachiri kutonhora apa"

Takabva tapinda mumba ndikatovesa moto


kuti mudziye. "Ndiweka woda kudadisa
kudai haa ndiri kunzwa kufara kani dai
muroora wangu aripowo achizvionerawo
kudadisa kuri kuda kuita mwana zvisinei
vanongofara havo vari ikoko
kwavari"vakadaro gogo.
"Yeah ndizvozvo gogo" vakati "aindepiko
mukadzi wepano" vakadaro gogo ndikaseka
ndikati "ko haasi muroora wenyu here
munoti mukadzi wepano" ndakadaro
ndichiseka vakati "haa muzukuru rega
ndinyarare hangu zvevhayorenzi handidi
hangu achiri makusei"

Ndakaseka hangu ndokubva ndapedza


kuvesa moto ndikatokorobha mumba
macho. Pasina nguva vanhu vakauya nana
bamunini vanin'ina vababa vangu vakauraya
mbudzi vanenge vakanga vaudzirwa
zvekuita nababa sezvo baba vakanga vasati
vasvika. Ndakakwazisana navo vachifara
havo vaisamboratidza kutsamwa. Mumoyo
mangu ndaingonamata kuti dai zvikafamba
zvakanaka.

Ndakaenda kubedroom ndikano cleaner


imomo ,mama vakanga vamuka vaive
vakagara ku kitchen vachiita nyaya nagogo
but vayiita sevanonyara ameno vainyarei
zvavo.
Hapana kuzoitawo nguva baba nagogo
vakanga vatosvika tikamhoresana gogo
vakaenda kunogara mumba maiva
nevamwe ,baba vakaenda kwaiva nana
bamunini kwaiitwa zvenyama. Vanhu
vemuraini vakauyawo ndivo vakazonzi vaite
zvekubika vachibva vaita sekudaro. Vanhu
vakanga vasara kuti vasvike ndi Rea na
mama.

Vanhu vakuru vakazopinda mumba


vachironga kuti zvofambiswa sei nekunyora
list reroora racho. Ndakabva ndaenda
hangu kunogeza ndokubva ndatora bucket
kwakuenda ku bathroom. Ndichigeza
ndakabva ndanzwa kutinhira kwemota
ndikaziva kuti pakati pa Rea namaiguru
pane asvika. Ndapedza kugeza
ndakanopfeka hembe dzangu dzaiva
dzakakurawo dzisinganyadzisi pavanhu.
Ndakabata foni yangu ndikaona paine
message yaive yasendwa na Rea achiti
vasvika. Nguva yandakapedza ndakabva
ndaendawo ku kitchen kwaiva nevamwe.
Ndichangopinda pa door ndakasanganidza
neface yemunhu yakandirovesa nehana
ndokubva ndanzwa dzungu nekutoona rima
nguva iyoyo.

*End of chapter*

*Stay tuned *

[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this


link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/IOsvdlZPUYwG
AG2kgUCpba

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536
*CHAPTER 40*

*DELIVERANCE*

Ndakamuka ndiri confused kutadza kuziva


zviri kuitika. Chandakatanga kuita
kumhanyisa maziso angu ,ndokubva
ndasanganidza futi maziso angu namai vaya.
Ipapo hana yangu yakabva yatanga kurova.
Ende yaitonzika kuti iri kutinhira
chaizvo ,zvaitooneka nepa musoro
pehembe yandakanga ndakapfeka.Uku
ndaive ndodedera serutsanga ruri mumvura.
Ndakaona maziso evanhu vose ari pandiri.
Vairatidza kuti vari kuda kuziva chiri kutora
nzvimbo. Ndakabva ndashaya pekutangira.

Ndakakanda futi ziso rangu kuna mai vaya


ndikaona vachitadza kugarisika. Vaive voita
sekuti pavakagara panobaya. Ini ndakanga
ndakagara pasi ndakazembera gogo
ndokubva zvanzi
"Deri muzukuru tiudze kuti zvaita sei? Uri
kurwara here muzukuru wangu" vakadaro
gogo vachindibata bata pamwe vaida
kunzwa kuti muviri wangu hausi kupisa here.
Ndakaita sendanamwa muromo ne glue
ndokuramba ndinyerere uku ndaive ndoda
kusvimha misodzi. Lucky mumba umu
maive nehama chete makanga musina kana
mutorwa. Ini ndokubva ndati
"ndakatadzeiko? Kuita kunditevera here
veduwe moda kundiurayireiko?" Ndaive
ndoita sekuti ndakupenga izvo kana
ndaitaura zvandinoziva. Chaindinetsa
ndeche kuti mai ava vakanga vauya kuitei
chaizvo. Taiva nehukama navo here?
Ndaizvibvunza ndega asi mhinduro
ndakaishaya ndokubva ndatarisa mukadzi
uya ndikaona maziso acho atsvuka kuti
piriviri. Hameno zvakanga zvoitika pavari.

"Ndian wacho anoda kukuuraya nhai


Delly ,uri kutaura zvatisinganzwisisi."
vakadaro baba. Pandaive ndoshama
muromo kuti nditaure ,mai vaya vakabva
vadonha pasi , ndokubva vatanga kugwinha
makumbo avo. Zvakandirovesa nehana
kushaya kuti zvazvipi futi. Vanhu vakaita
batai batai kudira mvura.

"Nhai ma2 zvadiiko? Chiiko chiri kumboitika


pano ndisatan apinda mumusha uno here?
Nhai mwari mati tidiniko." vakadaro gogo
vachidetemba vachishaya pekubata. Nguva
iyoyo ndakanga ndafunga kuudza vanhu
zviripo. Pamwe mai ava vakanga
vavhundukawo nekundiona andichazivi
kwaingova kufungira chete ndisina ruzivo.

"Gogo , mai ava ndivo vaida kundiuraya."


Ndakadaro vanhu vakatanga kutarisana ,
nguva iyoyo vakabva vataurira pamwe
chete "kukuuraya?" vakadaro ndokubva
ndati "ndivo mai vandakashandira vaya
ndikazobva kumba kwavo ndichimhanya.
Vane zinyoka zihombe mai ava
rinovananzva , nyoka yacho inotonzi Peti."
Pandakapedza kutaura vanhu vose vakabva
vati "haaaaaa" havana zvizhinji
zvavakataura. Ini ndakanga ndoita sekuti
ndakutoona vachinanzviwa nenyoka yavo.
Mai ava vakanga vasati vamuka vaive
vakachafenda.

Ndakaona baba vangu vobata musoro.


Gogo vaive vosvimha misodzi ndikashaya
kuti vochemei? "Deri muzukuru , andina
kuziva kuti awakanoshanda paya
wakanoshandira Mai vako. Zvino vaiva
vabatwa nemweya rudzii ,kumwe kuzvara
veduwe kwakaoma ndakabara muroyi ini.
Ndaingofungira asi nhasi uno zvabuda
pachena zvokwadi mwana andinyadzisa uyu.
Dai ariye akafa hake kuchisara Esther
nekut....." havana kupedza kutaura vaive
vamiswa nagogo mai vababa zvikanzi

"Amai musadaro vana ava ndizvo


zvavanoita vanorwadzisa ,chiregai kudemba
demba mwari ndiye akaita kuda kwake
akatora Esther wacho" zvikanzi "zvakaoma
ndarwadziwa ini ,ma2 muroyi chaiye
pamwe ndiye akaur..."
"Mama chiregai kudaro. Hongu
marwadziwa asi chisiyanai nazvo" ndibaba
vakadaro zvikanzi
"Baba Deri moyo uri kurwadza chaiko rega
ndipedze shungu dzangu."
"Ndanzwa mama chiregai timirire kumuka
kwa gulez"
Gogo vakabva vanyarara ende vaioneka kuti
havachina mufaro. Ndaisaziva kuti ndivo
maiguru vangu ini ndakabva ndabatikana
chaiko. Maiguru vacho vakabva vamuka
kwakudeedzera kuti "Esther kwete kani
ndati kwete Esther andina kumbodaro"
vakadaro vachikwenya pese pese. Takabva
tapererwa ndokuramba takatarisa maiguru.
Hameno vaitaurirei zita ramai vangu.

Pasina nguva ndakaona vamaChuma


vachisimuka vakashatisa chiso chavo.
Ndokubva vapa maiguru zenya rembama
vachibva vadonha vakatsima nemadziro.
Nguva iyi vakabva vati pembenu nekuti
vaitoita sevari kurota vakatanga kutarisa
vanhu vachinyara. Nguva iyi vakabva vapiwa
futi imwe mbama nagogo ndokubva vabata
dama ravo gogo vakati "uri muroyi
mai2 ,waida kupfuma neropa remwana we
munin'ina wako here? Sei uchindinyadzisa
nhaiwe. Kutanga nhasi andina mwana
akaita sewe. Mwana wangu wandinoziva
ndi Esther akafa kwete iwewe. Kana ndikafa
usandichema"

Gogo vakapopota vakazobatwa nevanhu.


Tainge totyira kuti vanhu vari panze
vanganzwa noise iri mumba umu. Maiguru
havana chavakataura. Ndakaona voti simu
ndokutora kabag kavo kwakubuda panze.
Nguva yavakangobuda panze vakabva
vakwinya dress ravo ndokumhanya kutiza
kuenda kumota yavo. Takasara tisina kana
nere muromo. Ndakanzwa vanhu vaive
panze vachiridza zvikwee kuseka maiguru.
Apa kumhanya kwemunhu akasimba
munokuziva.

Vanhu vakasara vachiridza


maoko ,vachitura mafemo kasingagumi.
Shuwa maiguru vakanga vanyadzisa.
Mumba makamboita runyararo baba
vakazoti "pamusoroi vana mama nana
bamunini. Zvaitika ngatisiyane nazvo tiite
hedu zvatafambira." vakadaro baba,gogo
vakabva vati "Baba Deri ,iwewe ndiwe
ungagona kusiyana nazvo asi inini ndiri
kurwadziwa. Ndonyarirepi iro benzi rangu
rakwinya nguwo kutiza. Chero vanhu vari
panze apo vanoti kudii nazvo. Kana ivo
vakwasha vako vari kugedhe uko vanotii
nazvo."
"Zvapera Mama ,honai nguva dzafamba
regai tiite kuti vakwasha vapinde mumba
vanguri vamira kugedhe uko
zvinozonyadzisa."

Baba vakabva vazevezera bamunini


vachibva vabuda panze. Pasina nguva Rea
neumwe murume vakabva vapinda zvavo
mumba. Pakabva paiswa ndiro yekuisira
mari ikabva yatanga kubviswa. Pamari
yamai yakangonzi ichengetwe nababa
vozoona kuti vatenga here ma cement
ekugadzira guva ra mama. Mari yakabviswa
yaive yakawanda ende yaisambonyadzisa.
Hapana kana chikwereti chakasara
vakabvisa yose. Pakapedzwa kubviswa mari ,
grocery revakwasha rakabva ranotorwa
rikaiswa mumba. Raiva rakawanda ende
aingova ma case chete. Vanhu
vaingokanuka vachitopererwa nekuwanda
kwazvo.

Yakazoita yava nguva yekuti vakwasha


vaziviswe hama dzangu vakatanga
kumhoresana zvakanaka. Zvakapera hazvo
zvakanaka ende ndaivona mufaro kuchiso
chababa vangu. Rea akabva akumbira
muchato baba vakabvuma ende ndakanga
ndisina fungiro yekuti ndingachata na Rea.
But zvaive zvoda kuzotoitika kuti ndichate
naye. Ndakafara hangu mumoyo mangu
ndaida kuzonatsa kutenda Rea tiri pedu
tega. Yakava nguva yekuti vakwasha vapiwe
chikafu vakanzi vanogara dining vachibva
vabuda kuenda. Gogo vakabva vati
mumashure mavo kutevera vakabva vabata
Rea ruoko achibva amira gogo vakadaidzira
kuti

"Radio yacho iripiko ngairidzwe


ndimbotambira murume wangu" vanhu
vakatanga kuseka. Music yakaridzwa gogo
vakatanga kutambira Rea ,ende aitova
mukuvhiringika hake apa achinyara. Vanhu
vaive panze vakadaidzira kuti "imi mbuya va
Dee sei muri kuomesa magaro ,iya zunzirai
murume apa anatse kuona kuti makatakura
sele" ndakaoma nekuseka kani apa vanhu
vakanga vatoungana panze ipapo vachiona
gogo vachitamba. Vanhu vaideedza kuti
gogo va Dee nekuti ndini ndaive muzukuru
mukuru. Baba vangu ndivo vaive first born
pavana gogo. Gogo vacho vakabva vaitawo
manyawi kwakutanga kuzunza chivakashure.
Panguva iyi ndaingoseka chete apa Rea
akanga onyemwerera achinyarira hake.
Vakazopedza kutamba zvikanzi "ndinotode
drink handi ndakuzunzira magaro angu"
ndakaseka Rea achibva abudisa mari
mubhachi re suit yake achibva apa mukadzi
wake. Ndokubva azoenda hake kunogara ku
dining.

"Haa gogo va Dee matambira zviripo


matopiwa ye drink" vakadaro vamwe mai
zvikanzi "Ah togodiiko isu tine varume
vakanuna ,tinosarudza kaa isu mega amuoni
kuti pakanuna here" vanhu vakaseka
vakadzokera kumapoto avo. Chikafu
chakapakurwa vanhu vakapiwa zvekudya.
Ndakaenda ku toilet kunozvibatsira hangu ,
nguva yandakabuda mu toilet ndakabva
ndadhumhana na Melissa.
"Haahaa nhamo ine nharo shuwa" akadaro
achipinda mu toilet.

Ndakapererwa ndichibva ndapera simba.


Ndakamirira kubuda kwake kuti andiudze
zvaari kuzama kureva. Akabuda akati "Asi
dhodhi rangu rinonhuhwirira kani wabva
wanatsa kundigarira ipapa"
"Handidi zvepamuromo newe Melissa wati
nhamo ine nharo ko ndakuita sei?" akabva
atanga kumonya muromo wake
ndikasvotwa ndikabva ndaramba
ndakamutarisa.

"Mukomana akubvisira mari ashaiwa


zvekuita chaiko. Ane nhamo yake
mukomana iyeye kurora Shupikai heyy" said
Melissa achindipima. Ndakashaya kuti
ndomuita sei mwana uyu nekuti
ndakatoona kuti achiri ne grudge neni
chandakamutadzira chacho ndakachishaya.

"Anenge akangokudawo aine stress dzake


kwete kuti..." Akabva amiswa na Mona
nguva iyoyo. Andina kuona kuti akanga abva
nepi kwacho. Akabva adhonza Melissa
kuenda naye kuseri kwe kitchen akati
nditevere ndikabva ndatevera. "Ndochii
chauri kuita nhai Melissa ,nanhasi uchiri
nehunhu hwako huya"akadaro Mona
zvikanzi "ndataura newe here Mona"
zvikanzi "iweka siya mwana wevanhu
afare ,haunyari here mashoko ako haiiti
unoti haana ropa here."
"Haa iwe Mona unongohakirawo zvisina
basa kunga mhepo yenyamavhuvhu"
akabva apiwa zenya rembama ndokubva
atsvukisa maziso akati "ndoda kutaura kuna
mama"
"Enda unotaura uri kabenzi kemunhu ,tsvee
kufunga kuti mwana akabuda mudumbu
ndomupfekedzei matamata nekuda
kushungurudza mwana wevanhu aive
ataura newe here nxaa uri satan iwewe"

Mona akabva ayenda ndikasara


ndakadzvokorana na Melissa. But
ndakavhunduka kuti Melissa ane mimba.
Saka aida kunditsvinya hake iye atori
nemimba isina baba. "Wakamirirei ipapo
ibva pano uri kamuroyi iwewe" akadaro
Melissa ndikati
"Tonde akazviita kaa ,haa ndozvazvinoita."
"Wakuda kubva pano warohwa"
Ndakabva ndaseka ndikati
"Nhasi motoona kuti ma packer here zvima
bag zvenyu nekuti pano hapachadiwe
munhu. Better pagare pasina vanhu pane
kuti pagare makava akaita semi. Munhu
andingatonzwira tsitsi ndi Mona kwete
iwewe namai vako muri nyoka dzevanhu."

Ndakabva ndaenda kunopiwa chikafu


changu chekudya. Vanhu vaidya vachifara
vachimwa ma drink vamwe vachimwa doro.
Zvidhakwa zvakanga zvototamba music
nekuti zvakanga zvatodhakwa.
Pandakapedza kudya ndakaenda ku dining
kumbonoona Rea sezvo ndakange ndisina
kumbomhoresana naye. Ndakaona ari ega
ameno murume aaive naye kuti aive aindepi.
"Babe ,kutadza kuuya kuti mamuka sei dady
haurevesi" akadaro Rea ndikati
"Sorry dady ndanga ndakawandirwa
nebasa ,ko urisei hako."
"Ndiribho babe , ndanga ndatokusuwa sha
kusuwa kumbotaura newe" ndakasekerera
ndikati "hoo,manje ndauya" akati
"Ah ndazonyara babe gogo vaya
vakangwarisa ndaive ndoshaya zvekuita"
ndakaseka ndikati "Ah ko unganyara
mukadzi wako nhai dady handi ndivo
vahosi" akabva aseka akati "Iiih vahosi
vacho ava vanotoda kushinga chaiko"
takaseka hedu , ndikati "ndafara
nezvamaita dady" akati "haa tozotaura kana
tichinge takumba kwedu takarara hedu mu
bedroom" ndakaseka.nguva iyoyo Melissa
akabva apinda mumba akafutisa matama
ake ,akadarikira ndokuenda ku bedroom
pasina nguva mai vacho vakatevera asi zviso
zvavo zvaisambofara kana kamwe.
"Ndichadzoka dady pane zvandiri kuda
kumboita panze"
"Okay babe wangu."

Ndakabva ndabuda ndikaenda panze


ndokuenda seri kweimba ndikaenda
padhuze ne window re bedroom
ravo,ndakanga ndichida kuterera zvaida
kutaurwa mumba umu.
"Mota yacho ndeipi mama?" Akabvunza
Melissa zvikanzi
"Iyo ine rudzi rwe silver" ndakabva
ndamedza mate nekuti ndakanga
ndatoomerwa pahuro pangu nguva iyi.
Handina kuziva kuti vari kuda kudii chaizvo
zvikanzi "ndipei banga racho ndinocheka
mavhiri acho" ndakanga ndoda kubatwa
nechikosoro ndokubva ndachidzora zvikanzi
"make sure hauonekwi Melissa"
"Kuonekwa kuita sei mama ndipei banga
racho ,ndoda itsva rinokasira kucheka nxaa
ndoda kukakaurisa karume kacho kanenge
kakaromba aka. kutengera musikana mota
kana kuti kakadyiswa."

Ndakada kumboridza chikwee but


ndakazoona kuti ndakavanda ndokubva
ndasekera mumoyo.
"Oh ita zvekukasira." Vakadaro mai vacho
ini ndokubva ndaenda kunovanda
pandinoona zvese ,pasinawo nguva
ndakaona Melissa kobuda mumba
kwakutanga kuringa ringa kwese kachienda
kumota yangu. Ndakabva ndanovanda
pamota pacho ipapo. Nguva yaakanga
akotama kuda kutocheka ndakabva
ndakabata huro ndikabva ndakarova.
Munhu rudzii ane mweya wehutsinye.
"Wanga wati wagonaka haa watamba
neakangwara wangu ,enda unodyisawo
tonde anokutengera mota ndizvo
zvandakaita pamukomana wangu
akatonditengera" ndakaona achishama
muromo ndokubva aramba akanyarara.
"Dai taita sevanhu vakuru Melissa
zvekuswera ndichinetsana newe handidi
hangu. Zvino negodo raunaro hapana
chaunoita dea unenge uchingofunga kuda
kuparadza chete siya kahunhu ikako.
Ukadzikama uchatowana wako mukomana
anokuda chaizvo achakuitira zvaunoda ,rega
ndinorongedza kabag kangu nguva
dzafamba tione kudzokera zvedu"

Ndakamutorera banga ndikarinotsveta


mumba. Pandakaenda ku dining ndakanzwa
voice ra baba kubedroom kwavo
vachiratidza kuti vari kutaura nemunhu but
vaisawirirana. Ndakanotora chi bag changu
ndikanoisa kumota ,"ko hausi kusara nhai
Deri" vakadaro gogo ndikati "Ah
ndichisarirei nhai gogo. Tiri kuenda tese."
zvikanzi "hoo ndaiti pamwe uchambosara
uchiona vamwe" uhm nezvaive pamba apa
paisasarika zvapo. Nguva dzakanga dzatove
kuma 4 baba vakati ngatidzokere hedu
ndikabva ndapinda mumota yangu na gogo.
Apa vanhu vakanga vasati vadzokera
kudzimba dzavo vaitoda kusiya doro rapera.
Takabhaibhisa vanhu Mona akauya
kwandaiveri akati "wofamba bho Dee wova
ne happy marriage tichauyawo ku muchato"
ndikati "zvakanaka Mona ndichakuona kana
mazuva acho asvika" akati
"Okay"

Ndakabva ndamutsa mota tikaenda zvedu.


Yangu ndiyo yaiva kwekupedzisira. "Haaa
ndaive ndotya kuti zvemarooro zvinokona"
vakadaro gogo ndikati "neyi zvee gogo"
"Nairo drama ranga roita mai vako unoti
panga pachine chakanaka paya here?
Zvokwadi mwana uya ibenzi chairo. Kuda
kundibvisa chiremerera pane vanhu
ndotenda hangu kuti zvazofamba
zvakanaka."said gogo.
"Yeah ,ko ivo kudana zita ra mama ndiko
kudii kuya gogo" ndaitoda kunzwisisa nekuti
ipapo pakandivhiringa vakati "pamwe aida
kudura ndichaziveiwo muzukuru azoshata
nekutiza ingadai zvose zvabuda pachena"

Takasvika Harare tichingotaura nyaya iyoyo.


Tasvika gogo vakabva vataura na Rea
panyaya yekuti ndimborara kumba
vachindirairawo ,haana hake kurambirana
nazvo akabva atoenda. "Mune nzara here
gogo"
"Handina ini ndakazvimbirwa chaiko."

Takabva tagara hedu pamasofa vakati "yeah


zvaiwachemera zviya zvaita manje
wochigara nemurume wako.handina hangu
mashoko akawanda ndinongoti ugare
nemurume zvakanaka. Usatuka murume
unotaura naye zvakanaka pausina
kunzwisisa unomubvunza. Kana iri nyaya ye
mu bedroom usamunyimwe zvinhu zvake
unomupa paanzwa kuda ,unoita zvinoita
kuti kana ofamba kunze uku akaona
vasikana haanzwi kuvada unonatsa
kumupepeta chaiko ndiwo mupfuhwira
hwacho iwowo. Kana ukangodaro wapasa
muzukuru pese paanenge ari anenge
akungofunga iwe chete."

Chakasara chine mudzimu wacho zvikanzi


"wakaveura here zasi uku ,ngakugerwe
kutsvukire zvekuti murume akakutarisa
anodonha rute manzeve aya anenge
akunatsa kuoneka nekuti kunenge kusina
bvudzi. Ugare wakashamira murume mu
bedroom uye uri smart."

"Maita basa gogo zvese zviri munzeve"

"Yeah ukangodaro unenge uri mukadzi


akarongeka."

Takazorara nguva dzaenda uye ndakanga


ndaneta zvisingaiti ndokubva ndanamata
ndikarara
*End of chapter*

*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Kiyu3VI1xwp2A
RMEa54pIK

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*
*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 41*

*REA*
Ndakanga ndava murume pane vamwe
varume. Kutonzwawo kuzvitutumadza
chaiko. Hapana chakambonetsa kumarooro
zvose zvaive zvakanaka. Dee akazouya
kumba ava mangwana acho. Ende
ndainatsa kuona kuti ari kufara chaiko
pachiso chake. Kunyangwe ini ndaive
nemufaro wakanyanya wandakanga
ndisingagoni kutsanangura.

Pakauya Dee takabva taenda kumba kwana


Dad kumbonovaratidza muroora wavo.
Takasvika dad vachinzi vakarara ndikabva
ndaenda kunovadana. Dee ndakanga
ndamusiya na Lizzy vachitaura nyaya.

"Dad!!!"
Ndakadana ndokubva vadavira vakati
ndipinde ndikabva ndapinda. "marwara
here dad munorara kunopisa kudai"
ndakabvunza vakati "kwete mwanangu
kutozorora zvangu." vakadaro vachimuka
kugara pasi ndikati "muchibuda ziya kudaro
here asi pane chiri kukunetsai kani dad"
ndakambofunga kuti zvimwe vachiri
kufunga zvakaita mai Dee vakati "hapana
chiri kunetsa Rea ,ko marooro akafamba
zvakanaka here?" said dad.
"Yeah zvakafamba bho hapana chakanetsa
kwasara muchato ,pamazuva mashoma
ipapa tinenge tachata hedu."

"Zvinokudzwa mwanangu watokura so


ndizvo zvinodiwa kunyangwe mwana
wevanhu akawana chaanowana zvinenge
zvava nane nekuti vabereki vake
vakukuziva" vakadaro dad ndikati

"Yeah ,handei munoona muroora wenyu


ariko downstairs uko." ndakadaro
vakasekerera ndokuti
"Oh wauya naye handei hedu" takabuda
ndokuenda kwaiva na Dee na Lizzy. Dee
achingoona dad akabva apfugama pasi
kwakuvamhoresa ndokubva agara pasi
chaipo dad vakati

"Gara zvako pasofa mwanangu" Dee wacho


akabva anyara akati pari right. Vakabva
vabvunzana mufaro vakapedza. Haana kuda
kuzoita nguva yakareba akagara nesu
akabva atoenda ku kitchen kwaiva na Lizzy.
Anenge ainyara vatezvara vake.

"Mwana ane tsika uyu kwete zvana kimbi


zvekuuya akatishamira pano" ndakaseka
hangu dad vakati "anobva kune vanhu
akarairwa zvake dai vamwene vacho varipo
vachionawo muroora wavo" dad
pavakangodaro ndakabva ndasuwa.
Vakanga vondirangaridza zvinhu
zvakapfuura. Handina chandakataura
ndakaramba ndakanyarara vakati "sorry
mwanangu kutoshuvirawo kuti dai varipo
vachiona zvawakaita izvi. Kurara
kwandinoita kuchipisa kudai ishungu Rea
handizivi kuti zvichapera rini or
ndichakanganwa nezvazvo rini."

"Zvakatopfuura dad ngatikanganwe


nezvazvo kunyangwe tikaramba tichifunga
nezvazvo hazvibatsiri" ndaivasimbisawo
vakangodairawo but ndaitoona kuti
pfungwa dzavo dziri kunetseka. Vaisada
havo kuzviratidza kwandiri but ndaitozviona.
Nguva dzakafamba zuva rikavira tikapiwa
chikafu tikadya. Takabva taoneka
tikadzokera kumba kwedu.

Mazuva akafamba ndikatsvaga wedding


planner wedu ,zvese zvakanga zvave
mugwara ne date racho rakanga ravapo.
Rimwe zuva ari manheru , Dee akanatsa
kugeza hake ini ndaive ndakarara mu
blanket ndichimuona hangu achimirizika
mberi kwangu. Ndakabva ndaziva zvaaida
but ndaida kuzviitira ku honeymoon.
"Babe chiuya urare"
Ndakadaro achibva auya kurara but haana
chaakataura aive akanyarara. Ndakabva
ndamukisa pamhanza asi haana kufurukuta
hake.

"Kuswera mangwana toenda kunochata


babe asi hausi kufara" kwaiva kutsvaga
nyaya kumudiwa wangu achibva
angonditarisa akati "ndiri kufara" akadaro
neka voice kaiva pasi pasi. Ndakanga ndane
mazuva ndisingambo mubati ndichizama
kuitira kuti tisazoite mutambo wevakuru
ndaingoda kunozvipedzera ku honeymoon.

Zvino ndaive ndakutoona kuti ndizvo


zvakatsamwirwa na Dee. Ndakaedza kuda
kumutaudza but aingodavira zvandinenge
ndataura chete.
"Asi wakatsamwa?" Kwaiva kungobvunza
hangu zvaindaiona ndega kuti haana
mufaro.
"Tane mazuva mangani taroorana Rea"
ndiwo mubvunzo wandakabvunzwa
ndikatanga kukakama. "Zvauri kuda ndiri
kuzviziva babe"
"So....?"
Akadaro babe wangu. Ndakabva ndamuti
"Inga muchato wedu wasara nemazuva
maviri wani babe tozoitira ku honeymoon."
"Ndichimborarama sei?"

Ndakamboda kuseka but ndakazvidzora


nekuti ndaizonyanya kumutsamwisa
kwacho. Kana ini wacho ndaitozvidawo but
ndaitozvidzora. "Haumbofi kani babe"
ndakadaro achibva anyarara zvake
akadhonza jira kwakutorara. Ndakabata
chirebvu changu ndichitopererwa ,
ndakabva ndatongorarawo.
Zuva remuchato rakasvika Dee achibva
aitwawo zve make up ini ndaive kune boys
rangu. Takaenda kumuchato kwacho apa
kwaive kwakazara chaiko.Taive takakokawo
hama neshamwari. Takasvikawo kumuchato
kwacho tikachatiswa na pastor. Nguva
yekuchinjana mashoko yakasvika tikabva
tachinjana ndokubva tazopfekedzana ma
ring. Wangu mudiwa aingooneka
nyemwerero ku chiso chake. Apa aiva
akachena hake mwana vevanhu. Hapana
akamboda kuvhiringa muchato wedu.
Vanhu vakabvisa zvipo zvaiva zvakawanda
hazvo. Vanhu vakazodya ma cake vachifara
chaiko tikamboitawo nguva yekudyisana na
Dee tiri mberi kwevanhu.

Zvemuchato zvakapera ndokubva taenda ku


honeymoon ku Kariba tikano booker room
yedu ku hotel,tichingopinda mu room
takabva taenda kunogeza nekuti ndaitoona
kuti ndanonokera mukadzi wangu. Haana
kumboda kumboudzirwa kunzi bvisa
hembe ,takagezesana akabva agezesa junior
wangu apa aive oda kutozvitangira mu
shower imomo ndokubva ndazomusimudza
kuenda naye ku bed.

Ndakatanga kumukisa akaita zvekubata


muhuro mangu , makumbo akanga
atovhurwa neche kare. Ndakabva
pamuromo wake ndikatanga kunwa
mazamo ake ,iye akanga akushinyira
kuratidza kuti zvamuitira but ndaida
kunatsa kumuita zvekuti anodana zita rangu
ndokubva ndaenda ku honeypot kwake
ndikatambisa chi beans. "Makunonoka
daddy" akadaro Dee ndikanzwa zasi kwake
kwakubuda zvimvura ndokubva
ndamunama futi kiss but aive asingachagoni
kutodzorera nekuti zvaive zvamushatira.
Junior wangu waive wanguri wagutsurirawo
neche kare.
Ndakazonzwa Dee abata junior wangu
akuda kutopinza mukati ndokubva
ndasuduruka ndikati "wakutoda here
mukadzi wangu" haana kunonoka kudavira.
"Eh kani" zvakanga zvatova zvehasha.

Ndakabva ndaita sendinoda kupinza sinhi


rangu mukati make ndikabva
ndamunyemudzira ndokubva ndaisa
pamuromo we honeypot yake ndikatanga
kurabha rabha. "Wakundirwadzisa kani Rea
uri kuda kuita kwacho here kana kuti hausi
kuda" maziso ake aive atochinja kuita white.
Pandakada kuti ndipinde mukati ndakanzwa
sepakanamwa. "Haisi kupinda babe wangu
usanditsamwira." Ziya rakanga rakabuda
manje ndikaedza ku pusher junior wangu
asi wakaramba kupinda kani. Apa ndakanga
ndonzwa kuda kubudisa hurume apa
ndakanga ndisati ndatomboita. Dee akanga
ati zii asingachatauri.
Ndakatoona kuti ndikaita zvekutamba apa
handingambovhuri ,ndakazoita nesimba
rangu rose ndokunzwa junior wangu
uchipinda but ndakanzwa kuti pane
chadambuka pana junior wangu. Nguva iyi
Dee haana kumbochema akangoshinyira
zvekuratidza kurwadziwa chete. Ushingi
hwemukadzi wangu ndakahutya kana
kumboridza zvake mhere. Ndakatanga
kukoira but ndaitonzwawo kurwadziwa ,
Dee akanga akabata magaro angu
achindisundidzira pa honeypot yake.
Madziire ayiita mukati ma Dee aive asina
kumira zvakanaka. Ndainzwa zvichinyatsa
kutapira ko ndaive ndakambozviitepi.

Kamubatirwo kandakanga ndakaitwa na


Dee ndakatoona kuti akanga akuda
nezvangu sakei akanga akunetsa. "Zviri kudii
babe wangu" ndakabvunza akati "zvichiri
kurwadza Rea asi zviri kunaka ramba
wakabaya ipapo" akadaro akatsinzinya
maziso ake , handina kuzoita nguva ndaive
ndatobudisa hurume ndikaoma gotsi kuti
papata ,Amana paunobudisa hurume paya
unogona kungoridza mhere wanakirwa
hako,sezuva rekutanga ndaitoziva kuti
hakuna kwandinosvika.

Ndakabudisa junior wangu ndikaona


akazara ropa. Ndakangoti kubudisa junior
wangu Dee achibva atorara semunhu
afenda. Takasimudzana tikaenda ku shower
tikabva tagezesana. "Thank you babe
nekundichengetera humhandara ndafara
zvekuti"
"Koiwe wakandichengeterawo hujaya here
Rea" ndakaseka ndikabva ndamuratidza
pandakanga ndatsemukawo achibva
asekerera. "but wakashinga babe kana
kumbochema hako" ndaitomutyira chaiko
but haana kuchema akati "Ah but
zvinorwadza yoh ,asi handina kuguta ini
daddy" akadaro Dee ndikati
"Tozoita time time kana tambozorora babe
kunyangwe ini ndichiri kunzwa kuda ,babe
wangu unonaka uri huchi hako une nzeve
dzinonatsa kubata junior wangu" takapedza
kugeza ndikamusimudza tikanorara pabed ,
Dee akatanga kubata bata junior wangu
ndikatonzwa watove ne tsinga wamira kuti
twii. Ko waigotadza neyi kumira iwo
waibatwa na Mamoyo,ende aibata
zvinonakidza. "Yamira dady" akadaro Dee
ndikamukisa akatanga kudzorera , ndakabva
ndatanga kutamba nenzeve dzake.takaita
nguva tichidaro ndikamurarisa zvakanaka
ndikaedza futi kupinda ikaramba kupinda.
Kungoti pakanga pasati pajaira so paitoda
nguva kuti panatse kuvhurika zvakanaka.
Ndakapinza mukati ndikati "ndiite zvishoma
here babe" akati
"Imbotsvagai corner rinonatsa kunaka
dady" ndakasekerera ndokubva ndarova ma
corner ese akati "ramba uchiita ipapo dady ,
uhm yeah ndiri kunakirwa dady
ahh...ahhhh." ndakabva ndaona zvimvura
zvaiti tsaaaa..tsaaa kuratidza kuti atunda
aive oita kubudisa ma sounds chaiko achiita
noise. "Rega ndidye zvinhu zvangu
babe"ndakadaro ndichisimudza makumbo
ake ndikamaisa pamapfudzi angu.ndakabva
ndanatsa kubairira mukati ndikanzwa
akuchema chema , handina kuzoita nguva
ndakabva ndatunda. takapedza kutamba
mutambo wevakuru Dee achibva atorara
hope chaidzo. Ini ndakanga ndakunzwawo
kuti zvava nane.

Mangwana makuseni takamuka kugeza asi


Dee aiti zasi kwake kuri kunyanya kurwadza
zvekuti sex akatoiramba kana ini handina
kuda kumumanikidza sezvo ndaitozivawo
kuti zvinorwadza.
Hatina kuzogarisa ku Kariba takabva
tadzokera kumba kwedu but Dee akanga
asati apora.
"Now tava nyama imwe babe ,chandinoda
kukuudza mukadzi kana pane chandinenge
ndaresva ndinofarira kuti undiudze kuti
dady apa handina kupafarira then ndochinja
maitiro. Ndinoda kugara ndichifara newe
mukadzi wangu handide kutsamwisana
newe. Kana ini paine chandinenge ndisina
kufarira ndinotokuudza kuti mukadzi wangu
izvi siya,tiri kunzwanana here babe"

Ndakadaro achibva ati "ndiri kuzvinzwa


dady" ndikati "good Mai Chimiro musha
ndewenyu uno itai zvamunoda
hamurambidzwe" akadaira nemusoro.
Tainge takagara mumba tichitaura hedu
nyaya. Pasina nguva foni yangu yakabva ya
ringer ndikaona ari Dudu ndikabva
ndadavira.
"Hello"

wakaoma Rea"

"Hindava Dudu?"

Zviri pachena kuti hauna kundiregerera ko


sei usina kundikokawo kumuchato wako"

"Haa sorry mani mudhara"

okay no problem ndokumbirawo kukuona


ndiri pashop ya P.N

Ndakabva ndatarisa Dee ndichida kuona


kuti anotii but akaramba akanyarara ndikati

"Rega ndimboona"

okay bye kana wabudirira kuuya


unondiona ndiripo"
"Sharp chibaba"

Akabva akata foni. Kutaura chokwadi nezva


Dudu ndakanga ndisingachadi manje apa
ndakashaya kuti ari kudei uye kunei kwaaive
aiita zvekundidaidza.

"Moda kuenda here?"


Akadaro Dee ndikati "handisi kuziva
mukadzi wangu" zvikanzi "ko chauchiri
kunyengerera pamunhu aida kundi raper
chii nhai Rea. Ukasiyana naye unofa here?
Kutaura chokwadi kubva nhasi handidi
kunzwa nezvake munhu iyeye" akabva
aridza tsamwa achienda ku kitchen. Yoh
ndakatoshaya kuti ndaive ndatadzei kusvika
pakuridzirwa tsamwa ndikabva
ndamutevera ku kitchen ikoko.
"Une shuwa babe kubva wandiridzira
tsamwa ko ndatadzei inga handina kumboti
ndoda kuenda wani" ndakadaro akati "sorry
handina kuridzira iwe but watadza
kumuudza chokwadi here?" akadaro ndikati
"sorry mukadzi wangu handisi kuenda
hangu kana akafona ndomuudza" haana
kuzodaira akabva aita zvekubika. Dee aiva
right ndanga ndisingafani kuramba
ndichisekerera Dudu nekuti zvaakaita
zvakandibhowa. Kana munhu aine hunhu
hwake haambohusiyi nekuti hanzi
aonekwa ,shiri imwe naimwe ine maririro
ayo haimaregi.

Pakapera zvinguva zvishoma foni yangu


ikabva yarira futi Dee akamhanya kuitora
ndokubva zvanzi

Wadii zvee Rea hona nguva dziri kufamba


shaa ndingazononoka kusvika paden.

"Hey , ndokumbirawo usiye kunetsa


murume wangu ,kana ndichiti
ndokumbirawo zvakutoita sekuti ndiri
kukunamata ndati siya kunetsa murume
wangu unoti huya kuno kuita sei ,kunei
kwaunomudana ikoko unoda kuti auye
ikoko wobva wamu druger womuuraya
ndobva ndasara ndiri shirikadzi isina
murume ndizvo zvauri kuda here imbwa
iwe ,une demon neshavi rechihure zvese
nehumhondi unotoda kutsvagirwa
madzibaba ushandirwe nguva iripo nekuti
chasara kupenga nxa haunyari here iwewe
uri dhoti remunhu ndikuone futi uchifonera
murume wangu ndinokubvisa chepakati
ichocho ukasangana neni unditize wanzwa".

Dee akabva akata foni. Ndakaona kuti


mukadzi wangu atsamwa zvekurevesa ende
zvaainge audza Dudu zvaigona kuva
chokwadi kuti pane zvaari kuda
kundirongera. Zvino akanga audzwa
mashoko ekufuga nekuwarura ,
"Daddy ,kana ndaresva sorry but shamwari
yako handichaimbofariri Rea handidi
kunyepa ,unoziva anogona kukuswededza
padhuze achiita semunhu akanaka but
anenge achida kuitira kuti zvaari kuda kuita
zviite ,iwewe unenge ungori nepfungwa
yekuti hapana zvaangaita nekuti
akakumbira ruregero. Anouya ari gwai but
mumoyo ari bere ende usafunga uchiti
anokufarira haa no hambokudi uyu but
pane zvaanenge achida. Handisi kuti usaita
friend Rea but tsvaga mumwe anotambika
naye uyu haana chiedza uyu anongoda
kuparadza. Imbofunga kuti dai ndaka repwa
naye waizondida here handi
waisazombondida nekuda kwekuti
ndinenge ndava zuru. Ndizvo zvanoda
zvekuti tisiyane."

Akadaro Dee ndikabva ndamubata ruoko


rwake ndikati "babe wangu mashoko ako
ndamanzwa hapana chawambotadza zvese
zvawaita wagona sakei uripo mukadzi
wangu unenge uchindiudzawo pandinenge
ndarasika. Handichina shamwari
yandichatsvaga ko ndichagoidii iwe uripo
mukadzi wangu. Ndiwe zvangu zvese ndiwe
shamwari yangu."

Takabva tambundirana kwakumbotsvodana


ndikati "l love you Dee , l love you Dee from
the bottom of my heart.when I close my
eyes,i see only you.when i open my eyes, I
want to see you.you are in my heart and I
really love you."

Ndakadaro Dee achibva anditsvoda


pamuromo akati "thank you so much swt
heart.I love you Rea. Don't ever think that I
don't,and don't ever forget that I do.
Takambundirana mu kitchen imomo
ndokuramba takarisana , maziso ake
aioneka rudo chete chete.tàkazoregedzana
achibva azopakura chikafu tikadya.
Takapedza ndokubva taenda ku bedroom
kwedu tikaita mutambo wevakuru ndikati
"marwadzo arisei babe" akati "zvakuita
zvichipora manje" ndikati "ngazvipore
timbonatse kukweshana babe zvekuita
uchitya kudzimbira munhu hazvinatsi
kufaya" akabva aseka akati "but inini zviri
kutondifaira"

"Hoo ,kana zvichikunakidza babe hapana


chakaipa. Ngatirare zvedu." Takabva
tatorara hedu ndakaita zvekubatwa junior
wangu ende waidiwa chaiko aisatomboda
kujamba munhu wacho.

Mangwana makuseni ndakapepuka


ndichinzwa kubatwa batwa. Ndakaona ari
Dee paakangoona kuti ndamuka akabva
atondikisa ndikatobatirirawo.ndakanga
ndagarwa dumbu manje achindikisa kudaro.
Akabva aisa junior wangu mukati make
kwakutanga kukurunga chiuno chake
mbichana mbichana. Ini ndainakirwa
ndakabata gotsi rangu hameno zvaiita Dee
izvo akazviwanepi.ndakabva ndatsinzinya
maziso angu ndichiterera zvaiita Dee. "Itisa
babe wangu ooh ndakunzwa kuda kutunda
ahh....." akabva ayiiti vhomo mu honeypot
yake ndokubva yafurwa nemhepo kunzwa
kuda kutunda kuya kukabva kwapera.
Yakaita nguva iri panze ikabva yadzorerwa
mukati akatanga kuita futi. Haiwa mwana
wevanhu akanga akaigarira chaiko
yakanyura yese. Ende yaitenderedzwa
mukati imomo kwete zvekutamba ,
ndainzwa ichibaya pese pese uye
ndichinakirwa.

Akabva amboita zvekurara ne dumbu rangu


ndikatanga kunwa mazamu ake apa
achingokurunga chiuno. Haiwa zvakazoti
zvandikurira ndokuridza mhere
yekunakirwa chaiko Dee akaramba achiita
apa akanga akukasira. Nguva iyoyo akabva
achemawo kuratidzawo kunakirwa pamwe
akanga atunda achibva atorara zvake
pamusoro pangu ndikatanga kupuruzira
musana wake.

"Thank you Samaita heyy unonaka murume


wangu ndanzwa kunakirwa pese pese chero
marwadzo aya abva apera kuti hwaa. Size
iyi ndoida mhani inozadza kwese dady
you're so sweet une mbo** inondigutsa
murume wangu i love you so much
handimbokusiyi Samaita ndingakusiya
ndichiendepi iwe uyiine zvinonaka kudaro
heyy hana yangu yabva yaita kudairira
chaiko."

I kissed her ndichisekerera hangu , Dee aive


andiudza mashoko anonakidza ko
zvinonakidza kaa kuudziwa kuti unonaka
unobva waiitawo manyemwe ndikati
"Thank you so much babe but iwewe uri
pamberi pakunaka babe handizivi kuti ndo
describer sei but ingoziva kuti uri shuga mai
mwana. Remember that I love you."
*End of chapter*

*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/CyDcA71MNZp
APP2PnlFqjG

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*
*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 42*

*KIMBERLY*
"Ah shaa zvose zvandiri kuronga hapana
chiri kubudirira , muchinda uya
akandimamisa zvakandibhowa shaa
kundizhaka kunga mwana wake ndiri kuda
kuita revenge yekuti anomama. Apa nezuro
ndakatukwa neka madam kacho mira uone
zvandoda kuita hakandizivi zvakanaka
zvinorambana manje manje ndinonzi Dudu
ini."

Ndakanzwa Dudu achitaura izvi ari mu


bathroom,ini ndakanga ndiri padoor re
bathroom ndichida kutopinda kuti ndigeze
manje andina kuzopinda nenyaya yekuti
ndakanga ndanzwa Dudu ari pa call zvikanzi

"Eh kana zvichibvira ita madhiri acho


ndinokupa chero mari yaunoda
ukangobudirira chete mari wobva watora
pano ndipo pamusha payo so usatya zvako."
Ndakanzwa anyarara kuratidza kuti abva pa
call ndokubva ndamhanya kubva pa door
ndikaenda ku kitchen. Ndaisada kuti aone
kuti zvaanga achitaura ndazvinzwa. Nyaya
yacho handina kuziva kuti ndeyei. Uye
munhu wacho aitaurwa nezvake andina
kumuziva. Munhu akarova Dudu hameno
aiva ani ndakazama kuda kufungidzira but
andina kuziva. Saka zvaireva kuti munhu
iyeye pane zvaari kurongerwa zvakaipa.
Ende ndaida kuziva kuti aive
akamborohwerwei iye Dudu wacho.

Ndakazvinetsa ndirimo mu kitchen


ndokubva ndaenda ku bedroom ndikaona
Dudu akagara pabed akatarisa pa nzvimbo
imwe chete zvekuti kupinda kwandakaita
haana kukunzwa.

Ndakazoita zvekumurova kambama achibva


avhunduka ndikati
"Uri kumbofungeiko?"
Akabva aramba akanyarara achibva aridza
tsamwa achizvikandira pabed.
"Hausati wakuzvinyanya here?" I said akati
"Kunyanya chii" ndikati
"Chaunoridza tsamwa ipapa chii"

"Ah iwe usada kunditokonya ,enda unobika


uko ndine nzara ndoda kumbobuda"
akadaro Dudu ndikati "kubuda uchienda
kupi ,dai uri mumwe munhu warega zvauri
kuda kuita izvi. Munotifira pano unoda kuti
mwana wako azochengetwa nani.
Kunyambobviswa zino haunzwi uri munhu
rudzii." ndakadaro ne voice raiva pamusoro.
Munhu akabviswa zino manje manje oda
kuita futi musindo nevanhu. Ini ndakanga
ndisingachadi hangu zvekuswera
ndichinetsana nevanhu.

"Uri kutaura nezvei kimbi uye zvauri


kutaura zviri kubvepi?" akadaro
achitoshamisika. Akanga aita zvekumuka
kwakugara pasi akagumbata pillow. Ziso
rakanga rakanzi dhee kubudiswa. Ini
ndakabva ndanyarara kwakuenda ku
kitchen kunobika hangu. Pasina nguva
akanditevera kwandaiva akati "kimbi
ndokumbirawo undiudze kuti zvawanga
uchitaura wanga wazvionepi." Akadaro
Dudu ende kunodaira call ari ku bathroom
aisada kuti ndinzwe nezvazvo manje
ndakanga ndatozvinzwa.

"Mu bedroom muri kunetsa network kaa


ndazviona kubva makuseni haisi kubata
zvakanaka." Ndakadaro ndichitaura
zvandinoda kana iye akatovhunduka
kwakundi dzvokora. Hapana chandaimboda
ndaingoda kuti asiyane nezvaari kuda kuita.
Anoda zvemusindo apa haagoni kurova dai
aigona zvaiva nane but kana wati kurova
mukadzi ndizvo zvaakapasa izvozvo but pa
fight chaipo nemunhu rume haamiri uyu
murembwe chaiwo.

"What's your problem?" said Dudu ndikati


"Ndaita seiko pane pandakutuka here
ndikuti sorry." ndakadaro achibva ati "no
but uri kutaura zvisiri kunzika , now uri
kutaura zve network hee yazodai ku
bedroom uko wamboti heee munotifira
what what mwana anozochengetwa
nani ,uri kuzama kuti chii chaizvo I don't
understand you my dear." ndakaseka hangu
ndokubva ndambonyarara. Kutoita hake
sekuti hapana chaari kuziva iye achiziva
hake zvaari kuronga. "Ndati siya kuita
hutsinye Dudu ngatiite zveimba yedu
tisiyane nezvakawanda" ndakadaro akati
"unoti ndisiye kuita hutsinye ndaitira ani
hutsinye hwacho. Plus usada kunditonga
ziva kuti uri pamba pangu koiwe uri
mutsvene here nxaa" akabva aridza tsamwa
achienda ndikabva ndanyangadzwa
ndikadeedzera kuti

"Handina kuti ndiri mutsvene but


ndakutoita ndichisiya zvakaipa zvishoma
nezvishoma nekuti kuramba uchiitira
munhu hutsinye hazvibatsiri ende hapana
chauno benefiter pazviri so ini ndakutoita
ndichinamata Mwari kuti vandiregerere
pazvitadzo zvangu. Asi chandinoda
kukuudza ndeche kuti munhu wauri
kurongera iyeye ndiri kuda kumuudza kuti
agare akagadzirira hondo yacho unatse
kumamiswa uchasara usina mazino chete
nxaa you're a plague."

Ndakabva ndaenderera mberi nekubika.


Hongu ini ndakamboitawo hutsinye but
hutsinye ihoho hwakazondisvitsa pakaoma
ndikaona kuti hutsinye haubhadhari.
Pfungwa dzangu dzaitoda kuti ndikaona Rea
ndobva ndamukumbira sorry pane zvese
zvandakamuitira kungoti ndaimuda zvangu
but ndakaona kuti haana basa neni ende
rudo rwekumanikidza harutonakidzi.

"Sei uchida kunditonga pamba pangu


nhaiwe , handidi kuudzirwa zvekuita newe
kana une zvawanzwa nyarara uvhare
ziromo rako iroro. Munhu wacho andiri
kuda kurongera wacho ndian? Hee taura
ndiri kunzwa munhu wacho iyeye."

Akataura mashoko aya akandidzvinya huro


yangu ndikaramba ndakanyarara
akawedzera kundidzipa. "Handimuzivi kani
Dudu ndanga ndichingotaurawo ini please
ndisiye kani pahuro pangu pakurwadza."
Ndakadaro ndichida kuzama kuda kubvisa
maoko ake but aive akatobata nesimba.
"Handisi kukudzipa zvekuti unakirweka ndiri
kuda kuti urwadziwe. Manje hausati
warwadziwa uchataura zvako."
Akaramba akadzipa. Ndakanga ndonzwa
kurwadziwa zvakanyanya apa makumbo
angu akanga akuhuta huta ndichipera simba.
Nguva yaakandisiya ndakabva ndangodonha
pasi kwakutanga kukosora ndichirutsa.
Ndakabva ndanyebera kuti zii ndichida
kuona zvaanoita. Paakaona
ndisingachapfakanyiki akabva andibata bata
achindizunungusa ndikaramba ndakarara
ndakavhara maziso angu. Ndaingofemera
kure kuti asanzwa kuti ndiri kufema.

"Kimbi.. kimbi...babe...babe kani am sorry


muka." Ndakamunzwa hangu achidaro
ndikaramba ndakazvambarara. Akabva
andisimudza akaenda neni ku bedroom
ndikaradzikwa zvakanaka achibva abata
hana yangu zvikanzi "I think afenda so what
can I do now ko ndamboitei zvandanga
ndoda kuuraya mwana wevanhu. Ko mwana
wangu nhai please babe muka kani I love
you handi ndizvo zvauri kuda here
chimuka."

Mashoko ake akandivhundutsa kundiudza


kuti anondida ,ndakangoramba ndakavhara
maziso angu achipota achimbobata hana
yangu. Pakazoti papera zvinguva ndokubva
ndavhura maziso angu zvishoma shoma
kuitawo zvee semunhu anga ambofenda.

Paakaona kuti ndamuka akabva ati "I'm


sorry kimbi ndanga ndatsamwa nemashoko
ako." Handina kudaira ndakangomutarisa
chete ndokubva ndanyeba kukosora
ndichibata pahuro pangu zvikanzi
"ndinokutorera mvura here babe please
wondiregererawo shaa ihasha chete."

Akabva anotora mvura akauya nayo achibva


andipa ndikanwa ndikati "it's not your fault
ndini ndaresva kutaura so une right
yekutondiita zvaunoda"
"Don't say that kimbi uri kudaro nekuti
uchakatsamwa ,rega ndimbonogeza"

Akabva ayenda ndikasara zvangu


ndichimuka ndokugara pasi ndichiseka
hangu shuwa kana munhu arwara ndipo
paanodiwa inga zvakaoma. Pasina nguva
ndakanzwa nock pa door ndokubva
ndanovhura. Ndichangovhura ndakabva
ndaona musikana wa Dudu ndikabva
ndanzwa hasha.
"How are you my dear. I want to see my
boyfriend,arimo here ndaedza kumufonera
but foni yake inenge yakadzima"

Ndakabva ndashatisa chiso changu


ndokuramba ndakakadzvokora zvikanzi
"zvaunotyisa nhaiwe ko unoshatisirei face
kudaro uhm."
"Dudu akaroora so ndokumbirawo kuti
ubve pano now." Akabva aramba akamira
zvikanzi "unopenga chete iwewe iti uri
kudawo mukomana wangu manje
hambokudi anoda ini chete , ma maid
munonetsa mhani ruchiva too much manje
neni unorohwa imbozviedze zvekuda
kutambira padhuze naye ibvapa ndipinde."
Akadaro achindi pusher ndikabva
ndamubata ruoko asati ayenda kure ndikati
"usangojaira kuti munhu wese wawaona
woti musikana webasa. Ndakakunyararira
that day uchitaura zvisina basa kubva nhasi
ziva kuti ndiri mukadzi wa Dudu uri kupedza
nguva yako uchidanana na Dudu nekuti ari
kuda kungokupedza panonaka chete ,ndian
anozokuda usingachanaki so ibva wasiyana
ne murume wangu nditori nemimba yake
tatobva kusimbisa mwana manje manje
akatorara uyu akaneta zvekuti. Basa raabata
nhasi rakanyanya wangu."

Ndakaona kachishatisawo kumeso kachibva


kada kundirova ndikabva ndabata ruoko
rwacho ndikati "ngakave kekutanga
nekupedzisira kundisimudzira ruoko
wanzwa otherwise unogona kurohwa
uriwe." Ndakabva ndakandira karuoko
kacho kwakadaro uko. Haana kuda
kuzotaura neni akabva abuda mumba
achimhanya misodzi iri pamatama.
Ndakangoti ngazviende ndichibva
ndadzokera mumba. Pasina nguva Dudu
akanga atopedza kugeza.

Akazora mafuta ake asina kana kumonera


towel. Ini kuona kwandakaita junior wake
ndakabva ndatomerera ndikanzwa
mubhurugwa muchivhutira.
Ndaingobiridzira kumutarisa. Paakapedza
kugeza akabva auya mberi kwangu ndikabva
ndanyara nekuti junior wake waive
wakandinongedza. "Zvinhu zvako babe"
akadaro Dudu ndikati "Saka wati ndiite sei."
Ndakataura ndakapora hangu. Ende
ndaitoshaya kuti kwakanaka here
kwandinoitwa zvekunzi zvinhu zvako hee
babe ,ndakangoti kuda kundinyengerera
kuti ndimuregerere.

"Zviri kukuda babe hausi kuona kuti


zvakatsamwa here" akadaro achibata bata
junior wake ini ndakanga ndotoda
kushandirwa.ndakaramba ndakanyarara
achibva andibvisa hembe dzangu zvikanzi
"uri kunzwawo kuda sezvandiri kuita here"
akadaro ndikagutsurira musoro. Ndiri
munhu wemukadzi veduwe maida
ndidiniwo takabva tatotamba mutambo
wevakuru. Ndinozonyanya kuzvisuwa nekuti
munhu wacho anondipa apo neapo dai
aindipawo zuva rega rega ndaisambonyanya
kuzvisuwa.

Ndakabva ndaenda hangu kunogeza.


Ndapedza ndokubva ndanopedzisa kubika
tikabva tazodya hedu.
Ava manheru Dudu akabva abesa foni yake
sezvo yakanga yakadzimwa iri pacharger ,
akabva ayenda ku app ndakangomutarisa
hangu. Pasina nguva ndakaona achivhura
maziso ake ndokumboita nguva akatarisa
pafon ndakabva ndafunga kuti anenge
aisirwa message nemusikana wake.

"Kimbi ko chii chawaita ,ndokudii nhai kimbi


ndizvo zvandakuudza kuti uyite here"
ndakabva ndaziva kuti kamusikana kacho
kamuudza zvandaive ndakaudza. Handina
kudavira ndakaramba ndakanyarara akati
"ko hausi kunzwa here ndiri kutaura newe.
Ndati waudza musikana wangu kuti chii."

Kuzodaro ndakabva ndakanzwa hasha


ndikati "ndiri mukadzi wako Dudu saka
unoda kuti ndichisekera zvauri kuita panapa
here kuti uri kuita zvinhu kwazvo here.
Better unohurira kunze kwandisingakuoni
Dudu zvitori nane pane kuti uvunze munhu
wako pano ndinonzwa sei. Ah unondikwidza
bhipi Dudu chero mwana ari mudumbu
umu achagona kutsva nekuti uri kundipa
stress nguva yekuti ndifarewo newe
handina ndingori nenguva yekungurushwa.
Kuti ndikuudzewo zvekuita sa madam
unobva watondiona sebenzi ndingaku
respecter sei kana uchidaro Dudu."

"Zvauri kutaura izvo dzava nyambo kimbi.


Ndinoda kunzwa kuti wazviitirei zvekuudza
musikana wangu zvisina basa handi
wakauya pano ndichidanana naye so siya
zvakadaro , ndoda kuroora musikana wangu
mobva maita 2 anenge abhowekana nezve
pano anobva abaya ende handimboteveri."

Ndakarwadziwa kani nemashoko


aDudu.handizivi kuti ndaizoita sei zvekugara
pabarika ndizvo zvisingamboite zvachose.
Akabva atora ma keys ake nefon yake
ndokubva abuda. Zvaitoratidza kuti aida
kunoona musikana iyeye ndikabva ndaridza
mhere achibva adzoka ndikatanga kubata
mudumbu mangu ndichiumburuka pasi
semunhu ari kurwadziwa.

"Chii kimbi? " Akabvunza ndikati


"Mudumbu mangu kani ,yoweee ndofa
kani." Ndakadaro hangu ndichinyepera.
Ndaisada kuti ayende achindisiya ndega.
Dudu akabva andisimudza akandiisa
pabed ,ndaingozvongonyoka semunhu ari
kurwadziwa.

"Tiende kuchipatara here?" akadaro Dudu


akanditarisa ndikango kugutsurira musoro.
Akabva atomhanya neni kumota akarova
mota tikaenda. Ndaive ndotodawo
kunonyoresa mimba yangu, takasvika
ndikaradzikwa pabed achibva abuda
ndikasara ndichitariswa na
nurse,pandakapedzerwa ndakabva
ndatobuda hangu ndikamuona akagara
mumota akati "wakunzwa sei?" Ini
ndaifambawo step ye munhu anga
achirwadziwa ndikati "ndakunzwa zviri
nane" akandivhurira door repa mother seat
ndikabva ndagara achibva ambobata
dumbu rangu akati "handidi kurasikirwa ne
first born yangu , manje manje
ndakutodanwawo kunzi dad."

Handina chandakadavira akati


"watsamwa?" akadaro akanditarisa
ndikabva ndatarisa side ndikati "mwana
ndiye waunoda Dudu asi ini haundidi"
ndakanga ndakutobudisa misodzi achibva
amboita nguva akanyarara akazoti "mose
ndokudai kimbi."
"Kwete haundidi Dudu kana uchida
nezvangu saka uchiri kuda mumwe
musikana wekudii ini ndiripo." ndakadaro
ndichingochema akati "zvinonetsa kusiya
munhu andakadanana naye kwenguva
yakareba." Ndakabva ndavhura door
remota ndichitoda kubuda zvaiva
zvondibhowa achibva andibata ndisati
ndabuda akati "uri kuendepi futi ko
ndakutuka here nhai kimbi ndangotaura
chokwadi wani pasina kukuhwandisira. Ehe
ndozviziva kuti zvinobhohwa but ndichaona
zvekuita."

"Ah ndaneta nekuita kwako Dudu,ko


ndinofirei nhai ndiri kutozamawo kuti
mwana wedu agokura tiri tese asi iwe
wacho haunei nazvo unoda
zvekungondirwadzisa. I know wanga
usingachadi nezvangu Dudu nekubvisa
mimba kwandakaita paya ende ini ndaive
ndisingachakudiwo but nekuda kwe mimba
iyi yakabata ne mistake ndakabva ndatoita
zvekuti ndikude ndikunzwire shuga asi iwe
wacho unotoda kutondiita chitoyi chako.
Handi ipapa wanga uchifarira kuti manje
manje wakuda kunzi dad ko mwana wacho
akatakurwa nani."
"Dai ndanga ndisingakudi dai
ndakatokudzinga kare kimbi. Kugara newe
kuratidza kuti ndotokuda so unoda kudiwa
zvakaita sei." Akadaro Dudu ndikati "bonde
chairo unondipa paunonzwa kuda iwewe
inganzi imba here Dudu.zvako zvinenge zviri
bho nekuti paunobuda paya unondokwira
kunze uko ko ini ndinopiwa nani zvandinoda.
Haingaiti imba yekuti unopa mukadzi bonde
kamwe pavhiki." Ndakadaro akati "ndanzwa
babe ndichagadzirisa ipapo chipinda tiende
kumba" aingoti hake achagadzirisa but
munhu wacho hambochinji maitiro.
Tinogona kuwirirana nhasi but mangwana
tinenge takutonetsana. Takazoenda kumba
pasina aitaura nemumwe.

*MELISSA*
Ndakazopera simba ndichinzwa kuti
Shupikai ane bango remota. Mwana
wevanhu akabvisirwa mazimari akawanda
ende ndakanzwa godo risingaiti ndaitoti dai
ndirini hangu. Kuzoti kuchinja zvako
kakanga kava kamunhu bho kachioneka kuti
kari kudya chirungu.

"Ana Mona maida kupiwa mari kani


mainyepa kuita munhu kwaye kuna Shupi."
Ndakadaro Mona achibva anditarisa
zvekupererwa akati "mari yandiri kudya
ishoma here Melissa,mari yandinopiwa na
Lovemore yakawanda kwazvo pese
paanondiona anondisiira mari
handitokwanisi kuti ndiidye yese ndipedze
so zvauri kutaura izvi ndezve kupenga"
akadaro Mona ndikati "Saka
waimbonyengererei paari asi waida
kumbokwira mota yake kani."
"Ndaiti zvimwe mimba yaunayo
ichakudzikamisa zvino ndiri kutoona kuti
hubenzi hwacho hauperi. Haisi mhosva yako
but pfungwa ndidzo shoma ende
hadzitomboshandi nekuti unongofunga
zvisina basa hauna nguva yekufunga zvinhu
kwazvo. Godo unoriwanza munin'ina siya
kufunga zvisina basa dai uchitofunga nezve
mimba yako uye uchazovei mangwana kana
wane mwana , unoda kumbomupfekedzei
chaizvo haumbozvifungi izvozvo."said Mona.

"Chamunonetsana ipapo chii endai


munorongedza zvinhu mumba
umo ,zvakasiya zvataura baba Shupi
hamuna kuzvinzwa here havachadi vanhu
pamba pavo vakati pachauya munhu
achatora ma key itai zvekukasira".said mom
neka voice kaitonzika kuti vari kurwadziwa.

Hameno kuti vaida kuendepi chaizvo ini


ndaida kudzokera hangu kwa gogo.
Takanorongedza zvinhu zvose tikangosiya
property yaive yagara irimo tikabudisa
zvinhu panze. "Saka munoda kumbonangepi
chaizvo" ndakabvunza Mona akati
"handiziviwo ini ,ndatofonera Lovemore
kuti auye kunditora aah patoshata apa
ndakutotizira hangu. Hapana zvekuita shaa
ndaitovawo nepfungwa yekutanga
ndabvisirwa sezvakaitwa Dee,zvisinei
anozondibvisira kana tava tose hedu."
akadaro Mona ndikati "unoda kutizira ko
akuti huya here kana kuti ndezve musoro
wako."

"Hazvisi zvemusoro wangu but akatobvira


kare achinetsa achiti akuda kugara neni
manje nekuda kwekudzinga kwataitwa
pano tingaindepi better ndinogara hangu
nemunhu wangu tozorongawo kuenda
kumusha kunobvisirwa roora". akadaro
Mona ndokubva ndanyarara hangu. Pasina
nguva pakabva pasvika chi rori chidiki
munhu wacho anenge anga ataurirana na
mama kuti vatakurirwe zvinhu zvavo. Mona
akabva atooneka akaenda kunomirira
munhu wake ku road. Taka loader zvinhu
mumota ndokubva tamirira kusvika
kwemunhu aida kutora makey.hapana
kuzoita nguva akabva asvika ,aiva mukadzi
akanga asina kunyanya kukura achibva
atopiwa ma key akaenda.

Takabva tatokwira chirori chiya tikaenda.


Ndakazodzika ndasvika paroad inoenda
kumba kwa gogo ndokubva ndabhaibhisana
namama vakaenda. Handina kumbobvunza
kuti muri kuendepi ndakangosiyanawo
nazvo. Vakanga vatosiya musha sekutamba
sekuseka. Ndipo paunoona kuti murume
haadi kuona mwana wake
achishungurudzwa zvinorambisa izvozvo.

Ndakasvika kumba gogo vasipo ndokubva


ndatomborara hangu ,ndakazomuka nguva
dzaenda ndikabva ndaita zvekubika. Gogo
vakanga vasati vadzoka ameno vakanga
vaendepi. Tinashe akazouya kubva
kumombe akangondimhoresa achibva
atoenda kuroom kwake asina zvaataura.
Ndakatoshaya kuti akatsamwei chaizvo
nekuti haana kumbonditi babe.

Ndakabva ndaenda kuroom kwake


ndikasvikowana ari pafoni yake ndikati "ko
wakatsamwei Tinashe" akabva anditarisa
akadzungudza musoro wake akati "handina
kutsamwa ini."
"Ndizvo zvaunosiita here Tinashe asi pane
chandakatadza kani."

Ndakadaro achibva amboisa foni yake pasi


ndokubva tatombotarisana akabva azoti
"Melissa handitozivi kuti uri munhu rudzii?
Why uri cheap so ndakaresvaka kukuda
nemimba yako. Tanga tisina kana mazuva
tadanana wakutofunga zve sex ,so zviri
kureva kuti unongovata nemunhu wese
wese Melissa.ndaisaziva kuti ndizvo zvauri
hako." Ndakapera simba ndichinzwa
mashoko aibuda mukanwa ma Tinashe.
Chandakatadza chacho handina
kumbochiziva ini ndikati " ndaita sei Tinashe
pane zvandakaita zvausina kufarira here
ndiudze pandakatadza."

"Kungondibvuma nekubva watorara neni


ende wakatondimanikidza ndisingatode
kungoti ndiri munhu wemukomana
zvakazongondibatawo but sandizvo
zvandaida. Uri musikana rudzii asingatyi
mukomana ndini ndaitofana
kukunyengerera kuti tirare tese but uhm
zvawakandiratidza zvikuru ,chero
ukasangana nemunhu muroad akakuti
ngatirare tese unobvuma iwe ini zvekupiwa
chirwere handidi zvangu sorry zvako
ndaikuda Melissa ende ndaive ndatoperera
pauri hu cheap hwako ndihwo
hwandasvoora ndakabva ndatosviba moyo
hausi wife material Melissa but unoda zve
joy chete."

Ndakanga ndosvimha misodzi ndakatarisa


Tinashe, handina kuziva kuti haana
kuzvifarira zvandakaita kungoti zvakanga
zvandibata musi wacho ndikatadza
kuzvidzora. Ndakapfugama pasi ndikabata
zvidzva zvake haana kundibvisa hake ndikati
"Tinashe sorry hako handina kuziva kuti
hauzvifariri please ndiregerewo
handichambozviiti hako." Ndakadaro
ndakamutarisa ndichichema ,ko
ndaizomuwanepi futi mumwe munhu
angandida nemimba yangu ini ndanga
ndambomuona.

"Melissa sorry hako handichakwanisi kuti


ndirambe ndichidanana newe. Kumitiswa
dzimwe nguva hakusi kuda kwako but pane
pamwe paunozviitisa kutadza kufunga kuti
mukomana andiri kudanana naye ane
future here wobva wangovhura makumbo
usati watarisa izvozvo. Handisi kukutuka
Melissa kahunhu kako kanobhowa unongoti
chero zvazvaita haufungi. Kudanana
nemukomana uchimuratidza rudo hakusi
kurara naye chete Melissa. Pauri ndaora
moyo Melissa ndaona kuti kukuvanzira
hazviiti ndosaka ndakuudza zviri pamoyo
pangu." said Tinashe ndikazama kuda
kutaura naye but haana kunzwisisa.
Ndakanga ndamuda chaiko zvino ndaive
ndane ronda rinorwadza.

Ndakabuda muroom make ndikananga


kuroom kwangu ndikasvika nekupinda
mujira. Ndakatanga kuchema ndirimo
kusvika ndangobatirwawo nehope.
Ndakazopepuka mangwana acho maziso
angu achirwadza ndikabva ndafunga
zvandakanga ndaitwa na Tinashe ndikabva
ndatanga kuchema.
Pandakanzwa kuvhurwa kwe door rangu
ndakabva ndatopukuta misodzi ndikabva
ndazvifukidza nejira ndisingadi kuonekwa
kuti ndanga ndichichema. "Wamuka sei
muzukuru uchakarara here" vakadaro gogo
ndikanyepa kuzamura ndikati "ndamuka
gogo ko makazosvika nguvaiko" vakati
"ndakasvika marara ko zvawakabika sadza
mukatadza kudya wani" vakadaro gogo ko
rakanga richadyika here sadza racho
"ndaive ndakaguta ndanga ndabva kumba
ndadya" ndakadaro vakati "ko Tinashe
haana kudya wani harina kana
kumbonyobvorwa zvaro sadza racho"

"Handisi kuziva hangu pamwe aive


akagutawo hake" vakabva vadaira
vachibuda ndikasara ndichimuka
ndikawarura machira angu ndikamapeta
ndikaenda ku kitchen. Ndakabvisa madota
ndikavesa moto ndokudziisa sadza racho
nekuti mudumbu makanga morira nzara.
Tinashe ndakamuona achibva kuchibhorani
ndikashaya kuti anga amuka nguvai. Ende
basa aiita akanga asina basa nazvo zvekuti
mukomana aiita chaiko.

Ndakamumhoresa akadaira zvakanaka asina


kana kumbotsamwa. Akabva agara pasi
ndikamupa sadza achibva adya. Ini
ndakabva ndadya ndikabva ndaisa rice
pamoto. Tinashe achibva ati "ndakuenda
toonana manheru" ndikati "makuseni
akadai here plus ungada kutoenda
kumombe wadya munya chete here ndaisa
rice pamoto" ndakadaro achibva ati
"usandityira hako ndatova bho ndinogona
kuzodzoka masikati ndodya"
"Okay bho"

Akabva abuda akaenda. Moyo waida


zvekuti ndirambe ndichinyengerera Tinashe
kuti andiregerere tidzokerane asi ndainyara
kushaya pekutangira.

Ava masikati Tinashe akabva adzoka


akabata maheu zvibhotoro zviviri akasvika
nekundipa ndikamutenda ndikati "waziva
sei kuti ndiri kuda maheu" akati "ndakaona
zvigumbu zvemaheu zviri ku bin uko
ndikaziva kuti unomafarira" akadaro
achipinda mumba ndikabva ndatevera
ndikamupa food yake akadya ini ndichimwa
maheu ndikati

"Wakandiregerera here Tinashe" ndakadaro


akati "handina kukutsamwira Melissa"
ndikati "Saka hauchandidi zvachose here."
Ndakadaro akati "mubvunzo wako
wandiremera but ndakakujekesera wani
Melissa pane pausina kunzwisisa here"

"Chindipawo last chance Tinashe


pandakaresva ndobva ndagadzirisa" ndaive
ndakutonyengerera but munhu wacho
airatidza kuti haachina basa neni.
"Watotanga handiti rega ndiende" akabva
abuda akaenda ndikasara ndakagara
ndichitopererwa.

*End of chapter*

*Stay tuned *

[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this


link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Ios8pJVRKQMH
lNt7dCSxKE
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

#0621141536

*CHAPTER 43*

*DELIVERANCE*
*_Baba tiratidze.._*
*_tiratidze simba renyu.._*
*_Baba tiratidze.._*
*_tiratidze simba renyu.._*
*_tidanane tisimbisane×2_*
*_hamuzofare here kumuona achiuya ari
mumakore×2_*
*_Ichokwadi ichokwadi Mwari variko×2_*

Ndaitoimba zvangu nziyo iyi ndichirongedza


hembe. Mwari vakanga vandiropafadza
ndisingafungiri ini kuita kundikomborera
chaiko. Takachata kusvotesa vavengi
vaifunga kuti ndicharamba ndiri wenhamo
asi Mwari vakachinja hupenyu hwangu.
Kuita kupiwa murume ane rudo anondida
uhm ndakabva ndatarisa ring yangu yaiva
muchigunwe ndokubva ndasekerera hangu.
Ndakasimudza kachigumwe kacho mudenga
ndokubva ndazvibvunza kuti ndini here
Deliverance akapfeka ring iyi.Ipapo
ndakabva ndapfugama pasi kutenda musiki.
Ndakaita nguva ndichinamata ndokubva
ndazoti Amen.
"AMEN"
Ndakavhunduka kani ndokuona ari Rea
hake ndaive ndisina kumuona akanga aenda
kunogeza ndaiti zvimwe anonoka
kubudamo.

"Haa manga mapedza nguvai kugeza


Samaita." Ndakadaro ndichisimuka
ndokutora hembe dzake dzekupfeka
ndikadziisa pabed. Aida kuenda
kubasa ,"ndapinda kare mu bath babe
ndaikunzwa uchiimba hangu , nguva
yawanga uchinamata ndanga ndatobuda so
ndati handingaku disturb hangu." akadaro
Rea achizora mafuta ndikabva ndaenda
kunogadzira food yake. Ndiri pakati
pekubika foni yangu yakabva ya ringer.
Ndakatarisa number ndikaona vari gogo
vaifona ndikabva ndatodaira.

"Hello"

Urisei muzukuru wangu ,anofara here


murume"

"Tose tiri bho gogo kurisei kumba"

kunotamba muzukuru nyama dzangu


ndidzo dzadzimba musoro uri kubanda
muzukuru."

"Uhm kutanga rini gogo regai ndione kuti


nhasi handingauye ikoko here byee
mondiona ndasvika."

Ndakabva ndakata foni ndikaenda ku


bedroom kwaiva na Rea. Akanga atopedza
kuchinja hembe atorongedza zvinhu zvake
zveku basa. "Ndafonerwa nagogo vati
havasi kunzwa zvakanaka hanzi nyama dziri
kudzimba" ndakadaro ndichimuudza akati

"Kwai zvadiizvee nagogo vangu" akadaro


Rea ndikati "handizivi vati musoro uri
kurwadza vari kutoratidza kuti vari
kurwadziwa"

"Okay babe nhasi wondorara nagogo


uchiona kuti chii chiri kunyanya kuvarwadza.
Ndoda uyende neku town kunotenga
grocery ravo wobva waenda neku pharmacy
wondotenga mapiritsi emusoro neimwewo
mishonga yekuti vaite right" akadaro Rea
ndikati "thanks dady" akabva andipa card
rake akandiudza pin yacho ndikatoisa mu
handbag mangu.

"Saka totobva pano tese handi ini


ndichienda kubasa kwangu." he said ndikati
"eh ndichasara ndichiitei hangu chirega
ndinogadzira chikafu chacho tidye tobva
taenda" ndakaenda kunopedzisa kugadzira
ma zai ekuisa pachingwa ndokubva tagara
tikadya hedu. Ndapedza kudya
ndakanochinja hembe , ndakapfeka top
neskirt yaiva yakareba.

"Handidi mukadzi anopfeka kunga


chembere ,hausi mukadzi weharahwa
babe." ndakabva ndaseka hangu ndikati
"zvakanaka wani iti wangoshoora kureba
kwe skirt." ndakadaro ndichitenderera kuti
aone kuti yakanaka akati "pfeka zviri bho
babe"

Ndakabva ndabvisa ndokupfeka trouse ne


top yaiva yakafanana nehembe yake akati
"yeah bho manje wabva waita ma Chimiro
chaivo,paya wanga waita kunga mbuya
Chimiro" ndakaseka zvekuseka zviya. "Let's
go hedu pane chauri kuda here?"
"No dady ngatibude"
Takabva tabuda umwe naumwe
kwakupinda mumota yake ndokubva
taenda.

Takazoti tasvika paroad dzinoparadzana


ndokubva tamira. Takadzika mumota Rea
achibva andibata matama angu akati "yeah
ini ndakuenda kubasa babe ufambe bho
handiti ugondimhoreserawo gogo tobatana
mangwana babe" akadaro achindikisa
ndokubva tatomboita zvekukisana
ndokubva ndazoti "ok daddy kana
vachirwara serious ndokuudza manheru
ufambewo bho"

"Sharp mukadzi wangu"


Ndakabva ndadzokera mumota ndikamutsa
kwakuenda. Ndakasvika ku town ndokubva
ndatenga grocery rikakwana ndikaisa ku
bhuti. Ndakapedza ndokubva ndaenda ku
pharmacy kunotenga mishonga yagogo.
Ndakatenga yakawanda yekuti chero
vakazonzwa futi panenge parwadza
vanongotora voshandisa.

Ndakapedza ndokubva zvangu ku town


kuenda kumba. Ndakati ndava pakati mota
ndokubva yanyarara ,ndakashaya kuti chii
mota nyuwani kungonyarara here. Apa ini
ndaisaziva nezve mota izvi,ndaitangira papi
kuita sekuti ndine chandinoziva.

Ndakaedza ku starter futi but yakaramba


kani ndokubva ndangopusa ndakaitarisa
mota yacho. Handina kunonoka kufunga
ndakabva ndafonera Rea ,kuda kufona
yakabva yaramba zvayo. Pamwe kubasa
kwake kwainetsa network ndizvo
zvandakangofunga nguva iyi.

Ndaive ndachipererwa manje ndokubata


chiuno. Ndakadoedzawo kuvhura bonet but
handina chandaiziva ndokubva ndavhara. I
tried kufonera futi Rea but yaingoramba.
Ndakanga ndisina kana number dza
mechanic zvekuti ndingamufonera kuti auye
kutarisa mota yangu.

Pasina nguva pakabva pasvika imwe mota


ndokubva yamira padhuze
neyangu ,ndakaramba ndakatarisa mota iyi ,
munhu wacho haana kubuda mumota make
akaramba arimo. Ndakazoona akudzika.
Akanga ari mukomana aiva akapfeka ma
glass uye akati rebei mbichana ndokubva
ndaramba ndakamutarisa
ndakazovhunduka paakati

"Hey beautiful" ndaive ndakatovarairwa


ndakamutarisa. "makadii zvenyu"
ndakadaro takatarisana apa ndaive
ndongoti dai akandibatsirawo kutarisa mota
yangu kuti yafa pai. "Ndiri right ndiri kuona
kunga uri kuda rubatsiro pane chanetsa
here" akadaro ndikati "yeah mota yangu
yangonyarara handizivi kuti yadini."
Akabva anovhura bonet ndikanotarisawo
zvaaida kuita ipapo. Akabva angobvisa
kamwe katambo kaiita sekatachana
nedzimwe. "Haina kumbofa iyi sisi pane
tambo yanga yaita zvisizvo chete"
"Thank you mukoma" ndakadaro tichibva
tatarisana akabva anyemwerera ndakabva
ndabudisa mari yangu kuti ndimupe sezvo
aiva andibatsira. "Handina kuti ndipe mari
ini handiidi mari yacho"

Akadaro achiramba mari yacho ndokubva


ndaidzorera hangu , nguva yandakanga
ndoda kutaura ndakanzwa ndanamwa kiss
pamuromo. Ende nguva iyoyo ndakabva
ndavhiringika kutadza kuziva chiri kutora
nzvimbo. Ndakazopembenuka pava paya
ndikamu pushira kure ende ndakanga
ndatsamwa chaiko. Hameno akanga afungei.
"Wakakwana here iwewe ,uri kumbofungei
chaizvo wandiona sehure rako here nxaa
idiot." Ndakamukwapaidza mbama
ndakanga ndane hasha.

"Ungandirova zvako babe but wakanaka


babe ma lips ako ndiwo andikwezva shaa
chero ukandituka sei I don't care"

"Une pfungwa dzakadambuka iwe ,hausi


kuona ring kuti ndakachata uri imbwa
yemunhu nxaa"

Ndakabva ndapinda mumota


kwakumbotura mafemo. Ndakabhoikana
kusvika pekupedzisira chaipo ,ndakaona
achimutsa mota ndokubva ayenda.
Ndakabva ndamutsawo mota ndikaenda
kumba. But mufaro wakanga wamushoma
nekuda kwezvandanga ndaitwa
nemukomana uya.

Ndichisvika kumba ndakaona gogo vakarara


moyo ukarwadza ndokubva ndachera
mvura mu cup ndikabudisa mapiritsi
ndikabva ndava mutsa. "Muri kunzwa sei
gogo?"
"Musoro uri kunyanya kurwadza muzukuru
wasvika nguvai?"

Vakadaro gogo vachigara pasi , maziso avo


akanga akatoita kakuzvimba. "Imwai
mapiritsi aya munoita bho gogo maybe
izuva iri riri kurwadzisa musoro."

Vakabva vamwa mapiritsi acho ndokubva


vatorara. Ini ndakabva ndatowacha hembe
dzavo neku cleanawo mumba.
Pandakapedza ndakabva ndabika chikafu
vakadya.

Zuva rakazoswera kuvira vakanga vatova


nane taive takutaura nyaya. "Ko hausi
kuenda kumba kani murume anorara nani
nhasi" vakadaro gogo ndikati "ndiri kurara
kuno ndinoenda mangwana kana ndaona
kuti mava bhoo" vakabva vati "ndatova bho
ini mapiritsi andibatsira aya."
"Hoo ndatenga hangu yakawanda mishonga
yacho kana musiri kunzwa bho munotora
moshandisa" ndakadaro vakati "waita hako
muzukuru"

Ndakazobika chikafu chemanheru ndokubva


tadya hedu. Nguva yekurara yakakwana
ndikaenda kuroom kwangu
kwakumbofonera Rea but fon yacho
yaisadairwa. hameno sei akanga asiri
kudaira foni ndikabva ndaisa message
"Waswera sei murume wangu kwanga
kurisei kubasa. Gogo vakunzwa zviri nane
mangwana vanenge vave bho ava. Urare
bho swt heart."

Ndakabva ndaisa netwu kiss but haina


kupindurwa message yangu ndikabva
ndarara. Ini handina kumbofunga
zvakawanda ndakangoti akaneta murume
wangu semunhu akanga aenda kubasa.

Hope adzina kunonoka kubata ndakabva


ndarara. Makuseni ndakamuka
ndikanomutsa gogo ndichida kunzwa kuti
varisei,
"Ndamuka muzukuru ndatova mutano ini
kunzwa nyama dzangu kuti gwindiri chaiko."
Vakadaro gogo mushure mekunge ndava
bvunza kuti vari kunzwa sei. "Zvinobongwa
gogo pamwe kwaingovawo kurwadza hadzo
nyama dzacho" ndakadaro vachibva vati

"Hameno ,kuswera zuro ndakaswera ndiri


paka garden kangu apo kwaipisa pamwe
ndizvo zvakaita kuti musoro wangu
urwadze" vakadaro gogo ndikati "zuva
rinopisa iri gogo munoitawo muchigara
mumba ,hamudi kugara pasi makambodii
chaizvo hamutonzwi zvakanaka kaa kana
mukagara pasi."
"Haa muzukuru handina kujaira kuti tende
kugara ini ndenge ndichitoda kumira
mira ,chiitawo uyende muzukuru wangu
anosurukirwa ega ega kumba uko."

Ndakabva ndadzokera ku room kwangu


ndikagadzira pamubhedha. Ndakabva
ndabata foni yangu ndichida kuona kuti Rea
akapindura message yangu here but
ndakaona pasina kana message.
Ndakasiyana nazvo ndikanobika tea tikadya
nagogo. Ndapedza ndakaenda kunogeza
ndakapfeka hembe dzangu ndokubva
ndatooneka gogo ndikaenda kumba kwangu.

Ndichisvika ndakaona Rea akarara


nemanhede akavhara maziso ake , "hey
dady I'm back" akabva asvinura maziso ake
ndokubva amuka. Ini ndakabva ndabvisa
hembe dzandakanga ndakapfeka
ndikapfeka chi dress chipfupi chaipinza
mhepo kwese kwese.

"Urisei hako babe ,ko gogo varisei"akadaro


Rea ndakabva ndamutarisa nekuti voice
rake rairatidza kuti haana mufaro ,
"vavabho havo ko chii kuita sewakatsamwa
Rea" ndakadaro ndichimubata mapfudzi ake
akati "kwaiva sei ku town kwawakaenda."
akadaro ndikati "kwaiva bho"
"Hoo I see."

Ndakaita nguva ndakamuti ndee but aiita


sekuti zvese zviri bho but ini sekuziva
maitire emunhu wangu ndakanga ndatoona
kuti pane chakamutsamwisa.
"Wakatsamwei Rea?" ndakabvunza achibva
ati "hapana babe wangu ,kuchata
kwatakaita unoziva zvinorevei here
babe?"said Rea.

"Ehe Rea" i said


"Zvinorevei?" He asked ndokubva
ndambotura mafemo ndichitoshaya kuti
zvose zvaari kubvunza izvi zviri kubvepi uye
zvanga zvambodii kusvika pakuti
andibvunza izvozvo.

"Mhiko yerudo dady" i said.

"Okay babe wangu ko ichii ndochii babe I


don't like it, kiss handikupe here pano" said
Rea.

Ndakabva ndabwaidzika. Akabva andipa


foni yake ndikaona pic raivapo. Pandakaona
pic ndakabva ndapera simba ndokubva
ndaramba ndakatarisa pafoni paya misodzi
ikabva yati dododo kubuda mumaziso angu.

I can't believe it kuti mukomana uya akabva


anditora pic akasendera Rea. So zvaireva
kuti mukomana iyeye anozivana na Rea
here , handina kuziva ndikati

"Am sorry dady mukomana uyu akandikisa


ndakavarairwa ,mota yangu yakanga
yanyarara ndikaedza kukufonera but foni
yako yaisapinda. Ndipo pakabva pasvika
mukomana iyeye achibva andigadzirira
paiva paita kuti mota inyarare ,zvekuti
angandikisa ndaive ndisina kuzvitarisira
Rea."i said

Rea akaramba akanyarara asina chaataura


ndikabva ndapukuta misodzi yangu.

"Babe ,so wakatadza kundiudza nezuro here


kuti ndizvo zvawakaitwa. Nguva yawasvika
pano ndakubvunza kuti kwaiva sei ku town
ndichida kuona kuti unondiudza here but
wabva wanyarara watoratidza kuti zvose
zvaiva bho. Wakazvifarira handiti"he said
ndikabva ndadzungudza musoro.
"Kwete Rea ndangofunga kuti hazvina basa
but handina kuzvifarira."

"Kunyarara ikoko ndiko kwandisingade so


ukatobatwa zamo hautotaure babe.
Unoziva kuti kunyarara ikoko mangwana
munhu iyeye anobva akuita futi zvimwe
nekuti hapana waunenge wakaudza
akamudzivisa. Ndofarira munhu anotaura
zvinenge zvaiitika babe handina kuti
unozivana naye but ndiri kuzama kukuudza
kuti kana pane zvinenge zvaitika kwauri
ndiudze" akadaro Rea.

"I understand Rea."

Akabva arara. Pfungwa dzakanga


dzozvinetsa kushaya kuti pic iroro
rakatorwa sei ,uye Rea akanga amboriona
kupi kwacho. Apa haana kumboda
kupopota aitotaura ari soft hake.
"Ndobikei dady" ndakabvunza akati
"watadza kubika zvaunoonawo zvinoita
here babe" he said ndikati "ndoda kubika
zvaunofarira."

"Nanhasi hausati wakuziva favourite food


ya dady here? Ingobika zviriko ku kitchen
ikoko ndinongodya zvawabika zvacho"
ndakabva ndaenda ku kitchen ndikanoisa
beef pa stove ndikabva ndaisa futi ne rice
ndikadzokera futi ku bedroom.

Rea akanga akutotora ma keys ake achida


kutobuda "ndiri kudzoka" akadaro ndikati
"ko uri kuendepi " akabva ati "ndichakuudza
kana ndadzoka" akabva ayenda ndakasara
ndichirara hangu hameno kwakanga afunga
kuenda kuti ndekupi.

*KIMBERLY*
Akanga ari makuseni ndakatorara hangu
pamubhedha but ndisina kurara hope
ndakanga ndakango relaxer zvangu.Dudu
akanga ayenda kunogeza ,apedza akauya
ndokuzora mafuta ake ndakangomutarisa.
Achipedza akabva atora makeys ake.
Ndakabva ndaziva kuti ari kuda kubuda asi
ndakanga ndisingazivi kwaari kuda kuenda
chaiko.

"Mudumbu muchiri kurwadza here?" he


asked ndokubva ndadaira nemusoro
ndichifinyamisa kumeso kwangu. Akatora
nguva akanditarisa ini ndaive ndakavhara
zvimaziso zvangu mbichana. "Kana
muchirwadza torega hedu kaa kuenda
kwatiri kuda kuenda" ndakabva ndavhura
maziso ndikamhanya kudaira kuti "kupi?"
ndakadaro achibva ati "kumbofamba famba
hedu. Kana musiri kunyanya toenda hedu"
he said ndikasekerera neche mumoyo
ndikati "handei muri kurwadza
muchinyarara." I said ndokubva ati "shuwa
here babe" i smiled ndikati "ehe" haa panoti
kufamba famba zvee apa panodiwa.

Ndakabva ndatochinja hembe. Kana


kunyepera kurwara kuya andina
kuzombokuita. Ndapedza kuchinja akabva
ati tiende ndokubva tabuda. Takapinda
mumota Dudu akamboita zvefon yake
kutokanganwa kuti tine kwatiri kuda
kuenda. Apa ndainzwa godo kumuona
akatsikitsira pafoni yake achinyemwerera.
Ndakabva ndaibvombora foni yacho
ndikatarisa zvaiona zvacho ndikaona ari
manude pics aionekwa. "Watangaka kimbi.
Foni yangu unoda kuidii?" said Dudu achida
kunditorera foni yake ndikabva ndayiisa
mubhurugwa.
Nguva iyoyo ndakanzwa kutsva. Hameno
Dudu aida kuzochinja rini chaizvo ende
haatombondinyarewo hake.
"Ndokumbirawo foni yangu" he said ne
voice raiva pamusoro ndikaramba
ndakanyarara ndakatarisa side misodzi
ichitoda kubuda but ndakaidzora
nekukasika nekuti ndaisada kumuratidza
kuti zviri kundirwadza.

"Ndidzorerewo foni yangu kimbi


ndakambobata yako here?" Akadaro
ndokubva ndati "wakarambidzwa here
kubata foni yacho haina kana password
unodii kubata." ndakada kumbomupa
mbama but ndakabva ndatya kurohwa.
"Saka uri kuda kuidii foni yacho."
Ndakabvisa hembe dzese dzandakanga
ndakapfeka achibva aramba akanditarisa
ndikati "handi unofarira kuona vanhu
vakashama ndaita zvaunofarira Dudu mutsa
mota tiende."
Akamutsa mota akanyarara ndokubva
ndatanga kubaya baya foni yake ndikaona
ma nude aya ari pa chat remusikana wake
ndikabva nda deleter ndikakanyorera
message yekuti
"Wakutamba nemoto manje ndini mukadzi
wa Dudu usazoti andina kukupa warning."
Ndakabva ndasender apa kaitova online
kachibva kaivhura ndika deleter message
yandakanga ndanyora ndikaita data off.
Zvese zvandaiita izvi Dudu akanga
asingazvioni. Ndakabaya futi foni yake
ndichida kuona kuti hamuna futi dzimwe
number dzezvipande here but ndakaona
musina.

Handina kuda kudzibvisa number dzacho


ndakangosiya zvakadaro. Pasina nguva foni
yake yakapinda message "ndipe foni yangu
kimbi ndoda kuona message yapinda."
akadaro ndokubva ndatovhura message
yacho ndikaona yakanzi "I'm done boss" this
message yaibva kuna Jack. Jack wacho
ndakanga ndisingamuzivi , ndakabva
ndatorerwa foni iya ndakavarairwa.

"Wanzi vhura nani message yangu. Hindava


uchida kungwarisa iwewe." said Dudu
paakanga apedza kuverenga message yacho
ndokubva ndaseka ndikati "uri boss?
Unoshanda kupi kwacho." ndakapiwa ziso
ndikati "wakaoma"

Hapana akazotaura nemumwe kusvika ku


town. Ndasvika ikoko ndakapfeka hembe
dzangu tikabuda tichibva taenda ku chicken
inn akatenga ndokubva tadzokera kumota
akati "uri kuda nechii?" akadaro ndikati
"pizza" akabva adzika mumota ndikasara
ndichidya chicken inn ndakanga ndane
mazuva ndisina kuidya. Apa haana
kumboita mistake yekusiya foni yake.
Akadzoka akabata pizza yacho nema drinks.
"Unenge uchinyepera kurwaraka" said Dudu
ndikabva ndapusa ndikashaya zvekudaira.
"Unofarisa ,hee mudumbu muri kurwadza
what what anorwara anotaurisa here?
Waitowana zvako simba rekukurura hembe
kuratidza kuti hausi kurwara kimbi uri
kundipusisaka. Ko mapic angu anga ari
mufoni umu ayindepi?"
"Saka unoda kuti ndi zvongonyoke senyoka
kuti uone kuti ndiri kurwara zveshuwa
ndizvo zvauri kuda here." ndakadaro akati
"usaita sekuti ndiwe watanga kuita mimba
mhani." akadaro Dudu ndikanyarara neche
mumoyo ndaingoti ndezvako izvo.

"Ngakave kekuguma kubata foni yangu.


Ukatsvaga makudo mugomo unomawana."
Aitaura zvaanonzwa kuda hake mwana
wevanhu. "Handinei nazvo hangu Dudu
chiita zvaunoda zvacho" akati "unga deleter
mapic emusikana wangu" zvakanga
zvakubhowa ndikati "your choice is yours
Dudu inini..."

"Chirega kuramba uchichinjana neni


mashoko ndinokuburitsa muno ukadzokera
kumba netsoka"
"Zvitori nane" akabva andibuditsa mumota
yake ndikatanga kuchema ndakamira
padoor remota. Ndaiti ari iye achitorevesa
hake. "Please Dudu handina mari yekwira
tax unoda ndidzokere neyi kumba".i said

"Enda netsoka sezvandataura ndoda


kukudzidzisa kuti usaita pamuromo kuda
kungoleledza nepasingadi kuleledza. Asi
wanga uchiti ndiri kutamba kani." akadaro
Dudu ndikachema ndichibva pamota yake
ndikangofamba ndichienda ku road ende
kana kumbondinzwira hake tsitsi ndaiti
achati dzoka but haana kudaro.
ndichifamba kudaro ndakazongonzwa
ndabhagurwa nemota ndikanodonhera
kwakadaro ndikatanga kunzwa dzungu
ndisingachazivi zviri kuitika. Simba
rakazopera zvishoma nezvishoma ndokubva
ndazongoona rima uku kufema kwakanga
kwakunetsa ndokubva ndatonyarara.

*End of chapter*

*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Kiyu3VI1xwp2A
RMEa54pIK

*POOR SHUPIKAI*
*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 44*
*REA*

Ndichiparadzana na Dee ndakabva ndaenda


hangu kubasa. Pandakasvika ndakaona boys
riri busy kushanda ndikabva ndamboona
kuti zvakamira sei.

"Eeh boss zvirisei"


Akadaro mumwe wevakomana ndikati "bho
wena ririsei basa" ndakabvunza vachibva
vadairira pamwepo. "Haa riribho iri" ndikati
"ngazvirambe zvakadaro boys chambosvika
ku office kwangu"

Ndakabva ndaenda ku office kwangu ,


ndakabva ndabudisa foni yangu kuti
ndifonere Dee ndinzwe kuti zvafamba here
ndokubva ndaona pasina kana network.
Ndakabva ndatsveta foni yacho
ndokumbotenderera tenderera ndirimo mu
office mangu.

Pandakangofunga kuti nhasi ndiri kurara


ndega kumba ndakabva ndasvotwa.
Ndaizovaraidzwa nani mukadzi wangu
asipo.Handina kuzoita nguva ndakabva
ndatobuda mu office ndokuenda kumota.

Ndisati ndapinda mumota foni yangu


yakabva yapinda message ndokubva
ndaivhomora muhomwe ndikabva
ndavhura message yacho. Network yakanga
yatovapo ndikaenda ku app ndokubva
ndasanganidzana ne new number ndikabva
ndavhura message yacho. Number dzacho
dzakanga dzisina profile kana username
zvayo. Pandakaona pic rakanga ra sendwa
ndakanzwa hasha ndakaritarisa.
Papic iroro paiva na Dee nemumwe muface
vachitoratidza kuti vaikisana , but muface
wacho handina kunatsa kuona kuti ndian
sezvo side rake harina kunatsa kubuda
zvakanaka. Ndakabva ndafunga kutarisa
number idzi kuti hadzina ku registwa here
ndokubva ndatobaya baya foni yangu.
Ndakazopera simba ndichiona number
dzacho dzakanzi Jack Mabaso. Moziva
ndakapera simba ndokubva ndaridza
tsamwa ndichidzorera foni yangu ndokubva
ndapinda mumota.

Muchinda uyu ndaimuziva achitamba na


Dudu manje aive akapusa mhani ingadai
akashandisa number dzisina ku registiwa.
Zvino aiva apisira ndaida kumurova zvekuti
anotaura ega munhu amutuma kuita
izvozvo. Ndaive ndatoziva hangu kuti ndi
Dudu hakuna mumwe anoita zvakapusa
kudaro.
Ndakazoenda kumba ndadumbirwa
nehasha. Kuita kudhinhiwa chaiko ndiko
kwandakanga ndaita. Kana simba rekubika
handina kana kuriwana. Ndakarara nenzara
musi wacho , message ya Dee ndakaiona
hangu asi handina kukwanisa
kupindura ,ndaive ndakatsamwa. Chandaida
kuona pana Dee ndeche kuti anondiudza
here zvakanga asangana nazvo ku town.

Akazouya mangwana acho asi haana


kutaura. Izvozvo ndizvo zvakazondibhowa
apa ondiudza kuti ndaiti hazvina basa.
Zvosava nebasa neyi ini ndichikisirwa
mukadzi wangu , zvivindi zva Jack
zvakandisvota kushinga kukisa mukadzi we
munhu. Shuwa kukisa malips andinokisa
inini aiva andijairira muface uyu mhani ,
mukadzi andakaroora ndoga ndiye oitwa
izvozvo. Kutaura chokwadi handina
kuzvifarira.
Pandakabuda ndakangoudza Dee kuti ndiri
kudzoka. Ndainge ndafunga kunoona Jack
iyeye ndaida kupedzerana naye.
Kwaiwanzotambira achimwa doro
ndaikuziva ndokubva ndananga
ikoko ,ndakachiona chikomana chigere
chega ,akabata beer mumaoko achitonwa
hake.aive akabairira ma earphones
munzeve achigutsurira musoro wake.
Ndakangosvika nekutomupa bhutsu
yepakati pemusana achibva adonha pasi
kabhotoro kedoro kachinowirawo kure uko.

Akarara kudaro ndakabva ndamutsika huro


yake ndokubva ndamupa futi bhutsu neche
pagotsi pake. Nguva iyi haana
chaakakwanisa kuona nekuti akanga
akarara muvhu apa face yakanga yazara
mavhu.

Paakamuka akabva anditi ndee ndokubva


atanga kuhuta ndichibva ndamupa
chibhakera paziso. Ndaida kutoriputisa
chaiko aite bofu asazobvuma futi kutumwa
zvakapusa zvakadaro. Jack akatanga
kubowa achibva arova bara akananga
kumota kwake kana nguva uekumubvunza
kuti wakatumwa nani handina kuiwana ,
haana kunonoka kumutsa mota ndakabva
ndateverawo mumashure make , muchinda
uyu akarova mota zvekuti aigona kutsika
munhu nekuti speed yaaiva nayo yakanga
isina kumira zvakanaka.

Ndakabva ndamira hangu ndokutanga


kuseka ndichiona mukomana achirova
mota.ndakaramba ndakatarisa mota yake
dzamara ndisingachaivoni. Handina kuda
kuzoswera ndichitevera benzi iri ndakabva
ndadzoka kumba. Pandakasvika kumba
ndakawana Dee akarara nedumbu pa side
pake paine marutsi ndokubva ndamhanya
paiva nemukadzi wangu.
Ndakamuzunungusa achibva amuka but
chiso chake chaive
chacheneruka ,ndakamugadzika pasi akati
"wauya nguvai" akadaro achiita sekuti haadi
kuvhura maziso ake ndikati "ndichangosvika
now babe ko chii ,uri kurwara here"
ndakabvunza achibva. adzungudza musoro
akati "handisi Rea. Ndati ndichipedza kudya
ndokubva ndarutsa handisi kurwara
ini ,ndangopera simba ndikatorara ipapa."
akabva atosimuka akanotora moppy aka
cleaner zvaakanga arutsa.

"Wabika chii chakushatira" ndakadaro futi


ndichida kutonzwisisa akati "ndabika sadza
ne fish." ndikati "haudye fish here?" akati
"ndinodya but dziri kubuda kamwe kasmell
dziri kuita sekuti dzagarisa." akadaro ndikati
"but ndakadzitenga manje manje babe or
waresva kudzibika chazokubikira rimwe
zuva."
Ndakabva ndaenda kunogeza dikita
rekurova Jack kwandanga ndaita. Ndaida
kuti ndikaona Dudu ndomuudza kuti
atambire kure nemhuri yangu kuda
kundikanganisira mukadzi wangu.
Ndinotoshaya kuziva kuti anombodei
chaizvo pane mukadzi wangu kana kuti
achiri kundinzwira godo sekutaura
kwakamboita. Zvino godo kumunhu rume
zvinobuda here veduwe.

Pandakapedza kugeza ndakabvunziwa na


Dee kuti "ko wanga waendepi." ndikati
"kunonetsana nemunhu akakukisa"
ndakadaro akati "asi unomuziva kani"
ndikati "ehe ibenzi remunhu rakapusa
kundisendera pic ne number dzaka
registwa."

"Hoo , ndinoti sorry zvakare ipapo


ndakatadza murume wangu
wondiregererawo.
"Don't worry babe zvapera. Mangwana
kuseni ndiri kuenda kumba kwa Dudu
handidi kuti arambe achindishungurudzira
mukadzi wangu wandakabvisira mari yangu
inini chaanorwa chacho chii. Handina
chandakadya chake ini chaanoswera
kundinzwira godo chacho handichizivi ini.
Munhu anoita sekuti akatsvira mumba
handimbomudi zvangu ,munhu asina
pfungwa dzinoshanda anongofunga
zvemahara. Manje ndoda kumugadzirisa
achapinda muforo chete hanzwisisi."

Ndakanga ndotobatwa futi nehasha ipapa


ndikaridza tsamwa zvekuti dai Dudu wacho
aripo ndaida kumumamisa chaiko
zvandakamuita zvishoma.

"Dai wasiyana nazvo Rea" said Dee


ndikanyangadzwa.
"Saka kukiswa kwawakaitwa wakatozvifarira
handiti."

Akadzungudza musoro akati


"Kwete Rea ndiri kuedza kuti..."

"Ndinoda peace mumba mangu muno


babe ,zvevanhu vanoda kundivhiringa ndati
handizvidi. Kana uchiti ndisiyane nazvo uri
kurevei? Inini ndiri kutorwadziwa kukisirwa
mukadzi wangu ndipo powoti ndisiyane
nazvo unoona zvichiita here. Ndikamurega
akadaro anobva aita manyawi obva andiona
sefuza. Ndinoda atambire kure neimba
yangu."

"Okay sorry ndazvinzwa"

Akadaro achibva anyarara. Ndaive


ndodedera nehasha ini ,kunze kwacho
kwaiva kwakutondinonokera kuedza.
"Mukadzi wangu ndinozviziva kuti haude
kunzwa nezva Dudu ,but apa handisi kuda
kuendako kunofara naye but kunomupa
chidzidzo asiyane neni aite zve life yake
ondisiyawo ndoita zve marriage
yangu ,ndoda kugara ndichifara nemukadzi
wangu pasina chinondivhiringa."

Ndichingopedza kutaura ndakabva


ndatopiwa kiss pamuromo. Kuita
kunyararidzwa ne kiss wena , pamwe ndaive
ndonyanya kutaurisa but kwaiva kutsamwa
kaa veduwe ndaizama kuonesawo mukadzi
wangu.

Ndakabva ndanzi dzvii junior wangu


ndikabva ndapera simba. Nguva iyoyo
ndakabva ndabviswa short yangu
ndikatonzwa junior wangu wave mukati
make ,ndakatanga kukiswa zvemufirimu
zvekuti ndaive ndisingachazivi zvekuita.
Kuita kuvhiringidzwa brain nemukadzi
wangu ,akati apedza kundikisa ndokubva
ambonwa zvimazamo zvangu uku junior
waive wakangopfekerwa chete asiri kuita
basa. Apa makanga muchipisa kani , akabva
azotanga kuita basa mukadzi wangu ,
ndaive ndongoti Mamoyo kasingaperi
ndichidana zita rake. Akazopedza kuita
ndatodhakwa chaiko.

Ah ndakabva ndarara. Dee akazondimutsa


achiti ndinogeza ndikabva ndaenda apa
ndaive ndaneta hangu ,shuwa Mamoyo
uyuka handizivi kuti ndoita zvekumudii
chaizvo,ende ndaive ndakavarairwa ende
zvebonde zvakanga zvisiri mupfungwa
dzangu. Kutsamwa kwandakanga ndaita
ndiko kwakaita kuti ndisafunga izvozvo.

Mu bathroom macho ndakambomiramo


here ndakangoshandisa towel ndokubva
ndatobuda , Dee akanga akatondigarira mu
bedroom ndikazorwa mafuta ndakarara
pabed , apa paaindizora ipapo ndakabva
ndatonzwa kuda nezvake.

Achipedza kundizora mafuta akabva


anotora food akauya nayo , akanga abika
rice ne beans. Takabva tatotanga zvedu
kudya tichifara ,kana kutsamwa kuya
kwakanga kwapera ,kwakanga kwapedzwa
na Dee aive andiratidza rudo.

Ndakazoona Dee akurutsa , mukadzi wangu


akanga asiri kunzwa zvakanaka chete but
iye wacho aitoti ari right. "Mukadzi wangu
hausi kunzwa zvakanaka ndiudze chiri
kurwadza."

Ndakadaro ndichimubata but muviri wake


waisambopisa. Hameno kuti chii chakanga
choitika paari. "Handisi kurwara Rea
handitozivi kuti chii nhai kubva masikati
ndichirutsa hazvisi kuda kupera."
"Unosimbozviita here?" ndakadaro akati
"kwete ndiko kutotanga." akadaro
achitorongedza plate yake ndikati "Saka
wodyei manje. Toenda kunotenga zvaunoda
here."

"Ayewa dady nditori bho ini usazvinetsa


hako ndiri mutano ini zvekudya
ndozozviona mangwana."

Ndakazopedzisa kudya chikafu changu.


Nguva yekurara yakakwana tikabva tarara
hedu. Kunze kuchiedza ndakabva ndaoneka
babe wangu ndikaenda kumba kwa
Dudu ,ndichisvika ndakasiya mota pagedhe
ndikapinda netsoka. Door racho rakanga
rakatovhurwa ndikashaya kuti anoda
kuendepi makuseni akadaro.

Takabva tadhumana pa door achida


kutobuda. Paakandiona akavhunduka
zvisingaiti. Ende kuvhunduka kwe munhu
ane mhosva kunooneka. Ndakabva ndapeta
maoko angu ndokumutarisa. Takatarisana
but iye ainyara aitoshaya pekutarisa
akaguma atambisa ma keys aiva muruoko.

Ndakabva ndagadzirisa pahuro pangu


ndikati "I'm tired ne behavior yako Dudu.
Handisi kuziva chandakakutadzira chacho.
Ko ukandisiya ndichifara nemukadzi wangu
unofa here Dudu ,une shuwa kutuma Jack
kuti akise mukadzi wangu wandakaroora.
Dudu , are you sure nezvaunoita. Sei uchiita
semunhu kadzi nhai."

"Uhm Rea ,eish...ah.." said Dudu achitadza


kutaura achingokwena mhanza yake
ndikashatirwa chaiko ndokubva ndamupa
chibhakera pamhino.

"Unondiuraya Rea... please usadaro kani...


I'm sorry andina munhu wandakatuma."
Ndakabva ndamupa chibhakera
pahuma ,ndakamusundira mumba make
ndokubva ndavhara door ndokubva
ndamusunga maoko ake ndikamugadzika pa
chair ndikabudisa junior wake mubhurugwa
ndikamusunga netambo. Ipapo pacho
panomutuma kuti ade mukadzi wangu
ndipo pandaida kugadzirisa.

"Rea kani unoda kundiuraya here


chindibvisa nditaure chokwadi ,yoweee kani
unoda ndizoita vana sei kana wagura junior
wangu usadaro kani Rea now ndapfidza
handichazviiti inini."

Ndakabva ndaseka hangu, aitambisa


tambisa makumbo ake achishatisa kumeso
ndikaziva kuti ari kurwadziwa.

"Taura tinzwe."i said


"Mukadzi wako ndaimuda Rea ,ndaive
neshungu yekuda kunzwa kuti anonaka sei.
Hongu ndini ndakatuma Jack ndaida uwore
moyo Rea paunoona mapic paya. Sorry my
friend....I'm so sorry handichambozviiti
ndinopika na mwari now ndapfidza Rea
chindiregerawo kani chiro changu choda
kudambuka kani ndoda kuzoitawo vana
Rea ,unoda ndirarame sei kana
chikadambuka."

Akadetemba Dudu. Ndaida anatse


kurwadziwa ,shuwa kundiudza kuti aida
kunzwa mukadzi wangu kuti anonaka
sei ,Amana ndakapera simba kani
ndokuramba ndakamutarisa achingoyuwira.
Ndakaramba ndamutarisa ndichitoshaya
kuti pfungwa dza Dudu dzakambodii
chaizvo ndokubva ndadzungudza musoro.

"Paya hauna kuti hauchazviiti here Dudu


but uri kungoramba uchiita wani.
Handimbokusiyi ndinotoda chidambuke
chiro ichocho chinoita ude mukadzi
wangu,tsvaga wako kwete kuda wangu."
ndakabva ndatombogara pasi zvangu. Huma
yake yakanga yazvimba. Mhino ichibuda
zviropa.

"Ndaida kuita revenge Rea but now


handichaite futi ndakuvara ini"

Akanga akuchema. Ndakazonzwa tsitsi


ndikasunungura junior wake ndichibva
ndamusunungura futi maoko ake.

Pandakamu sunungura akabva afuridza


junior wake ndokubva apfugama pasi ,
"Now ndiri kukumbira sorry nemoyo wese
Rea. Zvekukuitira hutsinye handichadi
hangu kana godo newe handichina. Ndiri
kurevesa Rea zvandiri kutaura zviri kubva
pakati pemoyo wangu. Kubva nhasi
chindionawo seshamwari yakanaka ndinoda
kukumbira sorry kune mukadzi wako
Rea,ndoda andiregererewo pane
zvandakaita."

Akataura izvi achinzwisa tsitsi. Aiti


akambonditarisa obva ambofuridzira junior
wake ,"zvekuti tiwiririrane handichadi
Dudu,but ndakuregerera,chandiri kuda
ndeche kuti utambire kure nemhuri yangu."

"Ndazvinzwa Rea ,izvozvi pfungwa dzangu


hadzisi pa nzvimbo Jack akatsi...."

"Jack akaita sei" ndakabvunza achibva


aruma ma lips ake akati "never mind Rea
pfungwa dzangu dziri kufunga
zvakawanda."

"Okay bye bye"

Ndakabva ndabuda mumba make ndokubva


ndadzokera kumba. Dudu ndakanga
ndapedza naye kusaziva kuti aizochinja here
kana kuti aida kuramba achingoita ma game
ake iwawo.

Ndichisvika kumba ndakaona Dee akarara.


"Ndadzoka babe ndapedza naye uyo" Dee
akabva amuka akati "magona dady."

"Asi hausi kunzwa zvakanaka babe"


ndakadaro nekuti aiva ne face yaisiririsa.
"Musoro" akadaro ndikati "warwadza here"
akadaira nemusoro "unopora babe wangu"

Ndichipedza kutaura foni yangu yakabva


yarira ndikaona dziri new number ndikabva
nda ignore Dee akati "ko hausi kudaira call
wani" akadaro ndikati "zvema new number
izvi handizvidi" ndakadaro akati "ko kana iri
hama nhai Rea ingodaira unzwe kuti ari
kudei."
Foni yacho yakabva yanyarara. Payakazorira
futi ndakabva ndadaira.

"Hello"

Asi Rea wakandirwadzisa paya


pawakandigwabvura , kubva wandi blocker
here usadaro Rea ndichiri kukuda please
murume ndakatosiya , nhumbu iya yakabva
kana zvichiita huya undione ndiri mu town
paya patakambosangana.

*KIMBERLY*

Ndakapepuka ndikaona ndiri


muchipatara.Ndainzwa nyama dzangu
kurwadza kunyanya mbabvu
dzangu.Ndakatarisa kwese kwese ndichiti
zvimwe ndingaona Dudu asi andina
kumuona.
Ndakabva ndarangarira zvandakanga
ndaitwa na Dudu ndikatanga
kuchema.Nguva iyoyo ndakabva ndabata
dumbu rangu , ndaive ndofunga mimba
yangu kuti haina kubva here.Pandakaona
nurse vachiuya ndizvo zvandakatanga
kubvunza.

"Mwana wangu ari right here Nurse. Mimba


yangu haina kubva here?"

Nurse vaya vakabva vasekerera. Ini


ndakanga ndamirira mhinduro , zvimusodzi
zvaiva pamatama but nguva iyi ndakabva
ndamira kuchema.

"Mwana ari right hake kunyangwe iwe


hauna kunyanya kukuvara hako,ndoda kuti
umwe mapiritsi aya ekunyaradza marwadzo
uri kurwadziwaka."
Vakadaro nurse ndakagutsurira
musoro.Pandakanzwa kuti mwana wangu
ari right ndakabva ndafara. Vakandipa
mapiritsi ndikanwa.

"Pane zvandoda kukuudzai nurse"

Ndakadaro vachibva vagara pasi vakati


"Taura zvako" ndakabva ndagadzirisa
pahuro.
"Kana murume wangu akauya kundiona
munomuudza kuti mimba yabva"

Nurse vakabva vavhurisa maziso vakati "kuti


zvidini mwanangu" vakadaro ndikati "ndine
zvandoda kuona pamurume wangu
ndokumbirawo mumuudze izvozvo kana
auya" ndakadaro hangu ndaida kuona kuti
Dudu anondida here kana kuti anoda
mwana chete.
"Okay ndichaita sekudaro. Handi kwatovira
maybe anouya mangwana makuseni
achikutora." ndikabva ndati "thank you
ndokumbirawo mapiritsi ekuti ndimborara"
vakabva vandipa ndokubva ndatonzwa
hope ndikarara.

Nguva yandakazopepuka kwakanga


kwatoedza uye kuchitoratidza kuti kwaedza
kare nekuti ndaive ndonzwa kamudziira
kezuva. ndakaona Dudu ari pa side pangu
akatsikitsira huso hwake ,kumuka
kwandakaita haana kukunzwa. Ndakaona
achipukuta kumeso achikwiridzira
madzihwa ndikabva ndaziva kuti aichema.

Ndakabva ndafurukuta kuti anzwe kuti


ndamuka ndikabva ndavhura zvimaziso
zvangu zvishoma. Ndakanzwa ndabatwa
ruoko rwangu zvikanzi
"Babe ,am sorry babe wangu ndaiti ndiri
kugona ndisingazivi kuti ndiri kuuraya
mwana wangu. First born yangu yaenda
here veduwe ko ñdakaiteiko ini , mwana
wedu aenda zveshuwa here babe"

Akadaro Dudu achichema ndikaramba


ndakanyarara ,pandakamutarisa ndakaona
akakuvara pamhino. Pahuma paive
pakazvimba ndikatadza kuziva kuti aitwei.

"Babe kani ndiri kutaura newe. mwana


wedu Deon aenda here babe ndidairewo
ndiri kuziva wakanditsamwira mukadzi
wangu please forgive me, now ndakudemba
chandakakudzingira mumota , Mwari
mandisekereiko? Neyi musingadi kuti
ndibatewo mwana wangu."

Aitochema kunga kamwana kacho kanga


kazvarwa. Aive atopiwa nezita ,but moyo
wangu wakarwadza kunzwa achidemba
demba kudaro.

Ndakashaya kuti ndomuudza chokwadi here


kana kuti ndorega. Ndakasiyana nazvo
ndaive ndisingadi kumhanya kuita izvozvo.
Kana aindida chaiko ndipo pandaizozviona.

Nurse vakauya vachibva vati "chirega


kuchema mwanangu mwari ndivo vanoziva
zvavazviitira vachakupai mumwe mwana"
ndakabva ndatarisa nurse
ndokungovatsonya nekaziso vakadzorerawo
zvikanzi "Aewa kwete handichaite mumwe
why mwari asingade kuti vana vandinoita
vararame. Ndaiti ndakuda kunziwo baba but
zvabva zvaenda nepamwe.
Ndaizvitutumadza but ndakuona kuti
ndaizvitutumadza nhema ende
ndaizvinyepera kuti ndakuita baba. Ende
hazvisi kuchinja ndiri kungoramba ndiri
Dudu ini ndichida kunzi baba Deon."
Aitaura izvi aine misodzi
pamatama ,airatidza kuti ari kurwadziwa
chaiko zvikanz na nurse "chirega kudaro
mwanangu nerimwe zuva
zvichaita ,munogona henyu kuchienda
kumba but mukadzi wako ngambomira
kuita basa rinorwadza" zvikanzi "okay nurse
asi makatadza ku saver mwana wangu
here?" said Dudu achida kutochema futi
zvikanzi "sorry mwanangu mukadzi wako
aibuda blood rakawanda takaedza ku saver
mwana but eish zvakaramba mwanangu"
vakadaro nurse zvikanzi "okay zvinowanika"
akadaro achindisimudza akaenda neni
kumota. Takaenda kumba pasina aitaura
nemumwe taiva
takanyararidzana.Aingotura mafemo
kasingaperi apa maziso anga azvimba
nekuchema.Takasvika kumba akandibata
ruoko tikapinda mumba ndikakwira pabed
kwakuzembera ma pillow. Dudu akanga
akabata musoro achingofemereka kusaziva
kuti dzaiva hasha here dzaiita adaro.

Pasina nguva akabva asimuka achitora foni


yake ndokubva ayenda ku bathroom
ndikaziva kuti pane ari kuda kufonerwa
ndokubva ndadzika pamubhedha
ndokunyahwaira ndiri mumashure make.
Pandakamira pa door ndakatonzwa ava pa
call zvikanzi "ndati wanga uchiendepi iwewe
pawakadhuma mukadzi
wangu,waimhanyisa mota sebenzi neiko
nhaiwe izvozvi mukadzi wangu akabva
pamuviri nekuda kwako iwe mbwende nxa
wandibhowa Jack izvozvi ndiri kurwadziwa
shaa wakadzungaira waimboendepi
kwacho."

Akadaro ne voice rine ukasha , ndakabva


ndafunga message yakaisa Jack iyeye achiti
apedza ndikashaiwa kuti yaiva message
yekuti apedza chii apa ndiye ari kunzi
akanditsika zvakatondinetsa zvikanzi "Ehe
dai wakanatsa kumamiswa chaiko uri
imbwa yemunhu mari yako handikupi
hapana zvawakaita ndinokupa mari yei iwe
wakadhumha mukadzi wangu."

Ndakabva ndadzokera ku bedroom


ndokubva ndagara Dudu achibva auya
akafutisa matama ,huma yaive
yakaunyaniswa. Akabva agara paside pangu
ndokubva tazemberana. Ini ndaive
ndakapfeka face yekusiririsa zvikanzi
"mukadzi wangu" said Dudu achibata ruoko
rwangu ,ende zvaitova zvitsva kwandiri
kunzi mukadzi wangu ndokubva
ndangomutarisa zviya zvekuti taura
tinzwe."chirega kushungurudzika
babe ,usazvidya moyo tichaita mumwe
Deon handiti" ndakabva ndakwidza
mabendekete angu ndichiti "handichadi
kuita mumwe ,ko ndogoita mumwe wei
usingandidi" akabva apuruzira gotsi rangu
zvikanzi "I love you babe. Hongu ndaisava
munhu kwaye kwauri but ndakukuda
zvekurevesa babe ndine zvandakaona pauri
zvakaita ndikude" ndakasimudza rurimi
rwangu kuti nditaure ndokubva zvaramba
kubuda ,zvaindishamisa zvaitaura Dudu
ndokubva ndazoti "zvei?" ndakadaro
ndokubva ati "wakandiratidza kuti unoda
zveimba babe nekuti kamushungurudzire
kandaikuita ingadai wakatakura mabhege
ako ukaenda but wakashingirira kugara." He
said akanditi ndee mumaziso angu ndikati
"waida ndiite sei ini ndaiva nemimba yako"
ndakadaro akati "hapana hapo babe ndiri
kuda mumwe mwana kubva kwauri"
ndakamedza mate ndokubva ndati
"Dudu,uri kuti hee unondida but hausi kuda
kusiyana nemusikana wako why kana
uchindida chaiko" zvikanzi "so unoda ndiite
sei?" akabvunza ndikati "siya musikana
wako kana uchindida" akabva ambonyarara
ende zvaitoratidza kuti musikana wake
anomuda akati "but ndokudai mose"

Ndakanzwa hasha ndikazvidzikamisa


ndokuramba ndakanyarara akati
"watsamwa?" ndikati "ndichitsamwei
hangu" kwaiva kungotaurawo hangu but
ndaitonzwa kagodo pahuro pangu ende
ndaitoda kuchema ndikazvidzora. "Inini
hangu handimirire izvozvo Dudu ,ida hako
musikana wako haisi problem dananai
chaiko ndichawanawo anondida" ndaive
ndotochema ,ndaiendepi kwacho ini ndaive
nenhumbu yake ndaisada kukasira
kumuudza kuti nhumbu haina kubva. "don't
talk that babe ndati ndinokuda wani chirega
ndigogadzirisa madhiri acho ndingoite
zveimba yangu chete ndisiyane
nezvakawanda." Aitaura achipukuta misodzi
yangu yaive yoyerera nematama angu.
Dudu kwaiva kungotaura hake but
musikana wake aisambomusiya ndizvo
zvandaiziva izvozvo.

Dudu akabva aenda ku kitchen kunobika


ndikabva ndatoenda ku bathroom kunogeza.
Pandakapedza kugeza Dudu aive atopedza
kubika achibva atondidanira kudya tikabva
taenda kunodya. Takadya achingotaurawo
zvimwe zvinyaya. Ndakapedza kudya
ndikarongedza plate yangu , pandaive
ndoenda ku dining akabva andimisa akauya
pandaive kwakundibata muchiuno mangu
ndokubva tatarisana akandikisa zvikanzi
"hande tinogadzira mumwe Deon"
ndakapererwa wena. Pandakada kupindura
akabva atondikisa achibata magaro angu ,ini
ndakabva ndatonzwawo kuda nezvake
ndikashaya kuti ndomuudza sei kuti mimba
aina kubva nekuti ndaive ndotoda.
Ndakagumha pamberi pake ndikanzwa
pafuta. "Ndaive ndachena nguvai Dudu"
ndakadaro paive amira kundikisa akati
"zvinoda mazuva mangani kuti uchene" he
asked ndikati "2 weeks" akabva abata gotsi
zvikanzi "ndine nzara babe hazviiti here
tishandise butiro" akadaro Dudu ndikati
"hazviiti"

Ndakadaro ndichizvibvisa mumaoko ake


ndikaenda ku dining ndikanoita tv on
ndokubva ndatanga kuona tv. Dudu akabva
anditevera achibva auya kugara paside
pangu akaisa ruoko rwake pamutsipa
wangu achibva atorupotedza kunobata
zamo rangu ndikati "imbomira izvozvo
Dudu" foni yake yakabva ya ringer zvikanzi
"hello mama" akadaro zvikanzi "kana
ndikasatokufonera hamumbofunge amai
vako Duduzile" vakadaro amai vacho ,
zvavaitaura ndaizvinzwa nekuti Dudu aive
pedyo neni zvikanzi "kwete mama muri
right here?" akadaro zvikanzi "ndinofara
kurisei ikoko. Haudi kumbouya kuno here
ndakusuwa" vakadaro mama vacho zvikanzi
"handidi ini kunobhowa uko ndoda kugara
kuno" zvikanzi "hoo asi kwane muroora kani
kwausingade kubva ikoko." Akabva
anditarisa zvikanzi "varisei dad" akanzvenga
nyaya zvikanz "vanofara havo ,chiroora
mwanangu ndakuda vazukuru ini unoda
ndife ndisati ndabata vana vako here?"
vakadaro zvikanzi "hamufi mama
muchatovabata henyu"

Akabva akata call yacho. "Saka watadza


kuvaudza kuti wakaroora here?" ndakadaro
achibva atotarisa ku tv zvikanzi "imbosiya
izvozvo babe imboita zvekuti nditunde
nekuti ndiri kurwadziwa unoda iradzikwe
nani ndanzwisisa hangu kuti hausati
wachena chiita zvekuti ndinzwe zviri
nani"akadaro achindibatisa juju wake
ndikamhiza ruoko rwangu ndichibvisa
ndikaridza katsamwa mumoyo ndokubva
ndaita zvekuona tv. Zvekuti mimba haina
kubva ndaida kuzomuudza kana agadzirisa
nyaya dzake.

Pasina nguva foni yake yakarira futi achibva


adaira zvikanzi "svika kuno kana zvichiita
ndine zvandoda kutaura newe face to face
babe" akabva akata foni yacho ndikaramba
ndakamutarisa akazviona ndokubva ati
"ndiri kuzviona kuti uri kuda kuziva munhu
afona uchamuona asvika."

*End of chapter*

*Stay tuned *
*End of chapter*

*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Ios8pJVRKQMH
lNt7dCSxKE

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*
*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 45*

*KIMBERLY*
Ndakaramba ndakatarisa Dudu
ndichitotadza kuziva kuti ari kuda kuzama
kuita sei chaizvo. Handina kubvunza
ndakaramba ndakanyarara ndokumboita
hangu zvekuona tv. Hapana kuita nguva
yakareba pakabva pasvika musikana wa
Dudu ndokubva ndaramba ndakamutarisa
hangu ,ndaiti ndikamutarisa ndobva
ndatarisa Dudu uyu aive akangotarisa
musikana wake asiri kumbobwaira maziso
ake. Musikana wacho akambotorawo nguva
akangostika zvikazonzi "huya ugare apa"
akadaro Dudu achinongedza pasofa achibva
auya kugara pakati pangu na Dudu achibva
azembera Dudu ndokubva ada kumupa kiss
zvakanzi "imbomira izvozvo shanty sandizvo
zvandakudeedzera pano."

Zvose izvi zvaive mumaziso angu but


handina chandakataura ndaive
ndatomirirawo kunzwa zvaaive
amudeedzera zvacho. "Nyaya
yandakusheedzera pano ichagona
kukutsamwisa Shanty" akadaro Dudu
musikana wacho achibva ati "ndoda mvura"
akadaro akati "enda unotora ku fridge uko"
akadaro Dudu. Shanty wacho akabva
anditarisa ndokubva ndakapa ziso
reruvengo ndokubva azeesa maziso ake
achienda. Takabva tasara tiri vaviri na Dudu
asi haana chaakataura aingova akaisa
maziso ake ku tv. Shanty kakabva
kapesvaira kachiuya ndokubva kakagara futi
paside pa Dudu kachingomuzembera
zvikanzi na Dudu

"Shanty ,handi uri kuziva here kuti uyu


ndian wangu" akadaro Dudu
achindinongedza zvikanzi "Eh ,aita sei?"
akadaro shanty wacho zvikanzi na Dudu
"ndian wangu" zvikanzi "ndi maid wako"
ndakangodzudzunga musoro wangu
ndichitofuratira kutarisa side. Ende
aitotaura hake asiri kumbokendenga "no
shanty , anonzi Kimberly uyu ndiye ava
mukadzi wangu so ndinoti sorry zvako
nekukurasisa but ndizvo zvatovapo shanty
ndinokushuvira zvakanaka ugoonawo
mumwe mukomana anokuda" ndakabva
ndasekerera hangu ndokubva ndatarisa
shanty uyo aive aita kuvhura maziso pamwe
nemuromo. Face yakanga yatochinja
yatoitwa zvekushatiswa chaiko aive
atombosiya zvekupoza kwakupfeka face
yebasa zvikanzi "Dudu kaa haurevesi wena.
Saka inini unoda kuti ndiite sei nemimba
yako. Ungandirambira chisikana ichi
unopenga here Dudu" ndakapererwa kani.
Shanty akanga asimuka pasofa ndokubva
aita zvekumira akatarisana na Dudu , Dudu
wacho aive akangovhurawo maziso anenge
akatoshamisikawo kunzwa nyaya yemimba.

"Shanty kaa handisi kuda madrama pamba


pangu. Mimba yacho wakayiita riniko? Plus
why wakundiudza nhasi kuti une mimba
waitadza neyi kundiudza kare" akadaro
Dudu atsvukisa maziso zvikanzi "ndaida
kukuudza shaa ndaida kuzoku surpriser
ndosaka ndisina kutaura" akadaro shanty
aita zvekubata muchiuno zvikanzi "handina
kukupa mimba ini ,uri kukanganwa kuti
wakauya kuno manje manje hapana kana 2
weeks but wakundiudza zvemimba
unopenga iwe iti wakabva nayo kwawaiva
uko."

Akadaro Dudu achikanda kanda maoko ake.


Aioneka kuti atsamwa zvikanzi "asi Dudu
ungatondirambira chisikana ichi une shuwa
here" ndakambofunga kuda kumupa
mbama shuwa anojairira uyu kunditi
chisikana kuita sekuti iye ane mutumba iye
aitova slander zvake "chisikana ndechipi"
akadaro Dudu akatarisa shanty zvikanzi
"ichi" she said achindinongedza zvikanzi
"ndinokurova shanty mukadzi wangu ndiye
wauri kuti chisikana usada kufarisa unobva
pano watonhorerwa." Akadaro Dudu
achitochinja channel pa tv. Shanty
kakatanga kubudisa misodzi akamira
zvikanzi "ndazozviona kuti wanga
usingandidi Dudu kungondiramba ndisina
zvandakuita" akadaro achichema zvikanzi
"ndosaka ndataura newe zvakanaka shanty
but wabva wandiitira dzungu. Ndaikuda but
ndave nemukadzi hazvichaiti kuti tirambe
tichidanana" akabva abuda mumba
achimhanya ndokubva ayenda.

Dudu akatanga kutura mafemo achibata


musoro wake "Saka uri kuturirei mafemo"
ndakanga ndakutodenha zvikanzi
"zvaunoshusha nhaiwe saka ndotadza
kufema here. Ndiri kutura mafemo ekuti
ndabudamo. Ndaitaka zvawanga uchida
zvacho" akadaro Dudu ndikati
"zvekuramwira here" akati "kwete ndatoita
nemoyo wese ,ndati ndikuratidze kuti
ndinokuda kimbi. Swedera pano" ndakabva
ndaswedera pedyo naye zvikanzi
"ndinokuda mai Deon handichadi kutamba
nepfungwa dzako.unondidawo here babe"
ndakada kuseka ndikabva ndadaira
nemusoro zvikanzi "baba Deon anokuda
babe" ndakamutarisa ndisiri kunatso
believer mashoko aibuda mumuromo make.
Ndakabva ndatofunga kumuudza zvekuti
mimba haina kubva ko handi zvandakanga
ndichida zvaive zvaita.

Ndakatora ruoko rwake ndikabva


ndamubatisa dumbu rangu zvikanzi "ndiri
kunzwa kuda kuisa mumwe mwana"
akadaro achiribata bata dumbu racho
ndikati "agara arimo" akabva anditarisa
zviye zvekusanzwisisa zvandataura akati
"wati chii" akabvunza ndikati "ndanga
ndichikunyepera Dudu mimba haina kubva"
ndakadaro ndokubva aramba akanditarisa
akati "shuwa here kimbi" ndikati "ehe"
akabva andimbundira akatora nguva
akadaro akati "saka ndaichema mwana
mupenyu kimbi usadaro shaa pain
yandainzwa yairwadza. Ende handisi kuto
believer kuti zveshuwa mimba haina
kubva." Akadaro takambundirana achibva
azoti "hande tinosimbisa Deon wedu
agobuda akasimba." aidaro
achindikisa ,taifamba zvishoma tichienda ku
bedroom ndakabatwa muchiuno mangu
miromo iri pamwe chete. Ndaitokiswa zve
nzara nzara taive tagarisawo tisina
kumboita. Tichingopinda mumba ndakabva
ndatoiswa pamubhedha achibva atobvisa
hembe dzake kwakutotanga
kutondishandira ende hakuna kure
kwaakasvika aive atobudisa hurume
ndakabva ndaziva kuti kugarisa uku asina
kumbondibata apa ndaive ndichiri
kutonzwa kuda chaiko.

"Wandisiya nenzara" ndakadaro


ndatoturikidza makumbo angu ndakarara
nemanhede akati "don't worry rega
ndikugutse babe kungoti ndanga ndagarisa
wena." He said achitoenda kunogeza
ndikabva ndateverawo ikoko tikatanga
kutogeza tese. Ndiko kaitova kekutanga
kugeza tese kubva zvandaive ndatanga
kugara naye. Dudu aive atondichinjira
zvandaisafungira kuti angachinja kutoita
munhu kwaye ,uye kutondiudza kuti
anondida. Takapedza kugeza
kwakutoshandirana imomo ndokubva
tazopedza ndikanopfeka hembe dzangu.
Dudu paakapedza kuchinja hembe akabva
atora foni yake ne makiyi emota ndikati
"unoda kuendepi?" Ndakabvunza
ndatomira kuita zvandaiita akati "ndoda
kumbobuda ndinodzoka manje manje."
akadaro ndikati "hazviiti here tiende tese"
akadzungudza musoro achiti "kwete,
ndinodzoka manje manje unoda ndikuvigire
chii pandiri kudzoka" ndikati "zvinonaka"
ndakadaro akati "zvinonaka zvisina zita
here" ndikati "ehe ingouya nezvinonaka
chete" akati "okay bye bye" akabva ayenda
ndikasara ndichiwacha hembe ndikayanika.
Pandakapedza ndakaenda kunobika ku
kitchen ndikapedza kwakutosiya chikafu
chacho ndaive ndotonzwa kuguta ndisina
kudya.

Dudu akazouya akabata bepa raiva


netunonaka akandipa ndikangodya
zvishoma ndikatosiya. "Waita bho ndaguta"
ndakadaro akati "zvausina kudya wani"
ndikati "ndatodya ini. Ndoda kumboenda
kunoona mama" ndakadaro nekuti ndaive
ndatovasuwa,"hoo ,unogona ku driver mota
here" akabvunza ndikati "ehe" akati "okay
tora ma key uyende nemota dai ndisina
kuneta ndakuperekedza manje ndaneta
babe" akadaro achizvikandira pamubhedha
ndokubva ndatotora makiyi acho akati
"ukasire kudzoka babe handina
anondivaraidza pano" ndakabva ndaseka
zvokwadi ndaisatobvuma kuti ndiye Dudu
uya aive achinja kudai.

"Okay babe ndinokurumidza" ndakadaro


achibva asekerera nekuti ndakanga ndisati
ndambomuti babe ,ndakamuoneka
ndokubva ndaenda. Mota yacho
yaisambonetsa hayo zvekuti handina
kunonoka kusvika kumba ndikabva ndasiya
mota yacho kunze kwe gedhe ndikapinda
netsoka. Mhamha pavakandiona vakabva
vandimhanyira kwakundimbundira. Ende
ndaitoti vakachanditsamwira but kana vaive
vachitofara "wagona kani wambouya
kutiona" vakadaro vachindimbundira futi
ndokubva tazopinda mumba tikabva
takwazisana vachitofara vakati "ko kusimba
nhai mwanangu iri kunakidzaka imba"
vakadaro mama ndikati "chero yakaoma
ndinongosimba" ndakadaro ndichiseka
vakati "Ah unonyepa ingadai wakaonda
kusara musoro chete. Zviri kutooneka kuti
hausi kutambura" ndakaseka hangu dai
vaiziva kuti ndakatombonetseka
vaisadaro ,"chero imba ikaoma kutoshinga
ndirimo unodzamara wasimba nekuti
unenge watojaira" mama vakabva vaseka
kuridza chikwee chaicho vaitomboita sekuti
vaive vakanditsamwira here vaitoita sekuti
havana kumbobvira vanditsamwira.

"Wakura mwanangu mashoko awataura


awa haataurwe nemwana mudiki but uri
kuratidza kuti wakura. Shuwa imba ndeye
kushingirira zvinozonaka urimo mumba
imomo" vakadaro mama vachitoenda ku
kitchen vachibva vandivigira drink nema
scorns ndikabva ndadya. "Nhasi womborara
kunoka" vakadaro mama ndikati "no ndiri
kudzokera" ndakadaro vakati "Ah ko
unomhanyirei nhai. Ndaiti womborara kaa
tichionana woda kutodzokera usina kuona
dad vako here ,havachina kutsamwa ava
zvakatopera zviya." vakadaro mama
ndikabva ndafunga mashoko adad vachiti
handisi mwana wavo but handina
kubatikana nazvo nekuti varume ndizvo
zvavari kana vatsamwa.

"Kana mama ndinozovaona rimwe zuva ,dai


ndisina kuuya nemota yababa Dee ndairara
zvino hazvichaiti nekuti vati ndidzoke nhasi
vanoda kuzoshandisa mota yavo"
ndakadaro vakati "ko wakutonzi mai Dee"
said mama vachikanuka ndikati "Eh ,
mukwasha wenyu anobvira here kuri
kufarira zita irori hanzi ndoda mwana
wangu azonzi Deon" mama vakabva vaseka
vakati "ko makatoona kuti mukomana here
ko akabuda ari musikana" ndikati "hameno
hake pamwe pane zvaakafila akanzwa kuti
mukomana" ndakabva ndapedza kudya
ndikarongedza plate ne water glass ndikati
"Lisa aripiko andisiri kuona" vakati
"akaramba basa uyu atova nenguva
ayenda" ndikati "hoo pamwe akanoroorwa"
vakati "hameno"

Ndakatandara namama nguva dzangu


dzekudzokera kumba dzikakwana ndokubva
ndati kuna mama "ini ndakudzokera ini
mozofarisa dad" vakati "waita hako
wambouya kundiona mozouy..." Havana
kupedzisa kutaura mushure mekunge
vanzwa foni yangu ichirira ndokubva
ndaitora ndikaona ari Dudu ndikati "hello
babe" ndakadaro zvikanzi "uchiri kuitei mai
Dee ndiko kukasira kudzoka here" ndakabva
ndatarisa mama ndichiseka zvaisanzikwa na
Dudu ndikati "ndakuuya" zvikanzi
"chiuya ,wakutonakirwaka ikoko ini ndiri
ndega kuno ndisina anondivaraidza" ndikati
"ndakutouya babe ndiri kusvika manje
manje" ndakakata kuita sekuti ndini ndaive
ndafona zvikanzi "hanzi chiuyaka" vakadaro
mama ndikaseka ndichiti "ehe nhai ndanga
ndabva kumba ndichiti handigarisi zvino
zuva ratovira ndiri pano ndosaka afona"
vakati "anenge akutyira madam kaa chienda
ungatosvibirwa hako"

Takaonekana ndikadzokera kumba


kwandakasvika Dudu ari ku dining ndikabva
ndatonanga ikoko kwaaive akati
"unobhohwa mai Dee taive tawiririrana
kutii? Wabva waenda zvekukanganwa kuti
wasiya munhu kumba"

*DELIVERANCE*

Ndakaramba ndakatarisa Rea ndichida


kunzwa zvaanopindura pa call ipapo
ndokubva aramba akanyarara kwakubva
anditarisa ndikamupa ziso rekuti daira
tinzwe achibva ada kutaura but akatadza
kubudisa mashoko zvikanzi nemunhu aiva
pa call wacho "I miss you so much Rea,
please ita plan tisangane" she said
musikana uya ndikanzwa godo ndokubva
ndapa Rea sign yekuti ita kuti okay
ndokubva aramba akanditarisa achitadza
kuziva kuti ndazviitirei achibva azoti "okay
ndiri kuuya" call yakabva yadimbuka
zvikanzi "why wati ndimuti okay" akadaro
Rea akanditarisa ndikati "ndian wako?"
ndakabvunza akati "ex girlfriend yangu
ndiye andakambokuudza nezvake kana
ucha remember day rataibva ku town riya"

Akadaro ndikabva ndapaziva achindiudza


kuti zverudo aive asingachadi ndikati "Saka
zviri kureva kuti akabvira kare achikufonera
handiti. Ko paari kuti huya patakasangana
paya ndirini wamakasangana uyoyo "
kutaura chokwadi musikana uyu akaratidza
kundijairira chaiko ,aive asingazivi kuti Rea
akaroora here ndakatadza kuziva, "low
voice babe" akadaro Rea achibva
ayenderera mberi achiti "pandakasangana
naye ndaive ndisati ndanana newe babe.
Hongu aimbondinetsa but akazomira nekuti
ndaive ndamuudza kuti asiyane neni
ndikabva ndamu blocker ndatovhunduka
ipapa ndichinzwa ari Annah zvichireva kuti
achinja number"

"Okay simuka tiende" ndakadaro ndichitora


makey emota akati "kuenda kupi?" Ndikati
"kwaari kaa handiti ati huya tisangane
hande tinomuona" ndakadaro achibva aita
seanopererwa akati "babe..." ndikati
"handisi kutamba Rea, handisi kuda kuti
munhu uyu arambe achikunetsa. Ende
kakukakama kawaita apa kandiratidza
zvimwe unomudaka musikana uyu" ndainge
ndonzwa kusvotwa why aive aita
seapererwa nemashoko achitadza
kumuudza kuti siyana neni but aramba
akanyarara kuratidza kuti anozvida.
"Babe wangu ndichimuda chirudzii? Munhu
uyu akatondinetsa kubva kare but
ndakatomufuratira kuratidza kuti
handimudi dai ndaimuuda ndaingodanana
nayeka ipo paaindinetsa pacho. Ndingabva
ndamuda nhasi nekuti ndanewe here babe
haudero zvee hauoni kuti mashoko ako
anogumbura here kungoti ndangovhunduka
kunzwa voice remunhu wandakaguma
kutaura naye kare ndikabva ndapererwa
nemashoko."

"Rea ,ndakushoorera pakuti watadza


kumuudza kuti wakaroora wadii kuti siyana
neni" taive takadzvuturirana akati "ndosaka
ndakuudza kuti ndavhunduka babe
ndishaya mashoko ekutaura" ndakaseka
zviya zvine kakurwadziwa mukati ndichitoti
une shuwa nezvauri kutaura here. "Okay
chihandei tinomuona" haana kuramba
takabva taenda kumota ndini ndai driver
mota yacho ndainge ndakatotsamwa
chaiko , takaenda kwavakambosangana
kwacho ndokubva ndamisa mota ndikati
"wamuona paari here?" Akabva amhanyisa
maziso ake kutarisa kwese kwese akati
"yeah uyo akamira uko" achinongedzera
kwaaiva akamira kwacho ndikaona
akapfeka trouse nekahembe kaisiya dumbu
panze ndikati "enda unomuona" ndakadaro
akati "unoda ndinoti chii nhai babe handeka
tese aone kuti ndine mukadzi" akadaro Rea
ndikati "ndiri kutevera"

Akabva abuda ndikasara ndakagara


ndakatarisa Rea uyo aifamba kuenda kwaiva
na Annah wacho ,ndaida kuona zvinoita Rea
kana achinge amuona ipapo. Annah wacho
paakaona Rea akabva amhanya kuda
kumbundira Rea , Rea akabva adududza
kudzokera shure zviya zvekusada kana
kugumhiwa. Ndakaona Annah oita
kakushamisika achibva afamba zvishoma
kuswedera pana Rea achida ada kumubata
bata ini ndokubva ndadzika kuenda
kwavaiva. Pandakasvika ndakanzwa Annah
achiti "ndinoziva kuti uchakanditsamwira
Rea but ndinoti dzora moyo wako
tidzokerane paya ndaive ndichakatsonga
ndikamhanya kuroorwa asi ndaingokuda"
Rea akabva ati "handisi kuda kunzwa
nonsense dzako Annah ,ndakakuudza kare
kuti siyana neni handikudi but hausi kuda
kunzwa, handisini ndakakuti enda unororwa
ini wakaenda wega shaa. Ndane mukadzi
wangu ini hauna kunzwa kuti ndakaroora
here" akadaro Rea achindi hugger neruoko
1 ndikabva ndatozembera chest yake
ndikaona Annah achivhurisa maziso akati

"Ah Rea ,but ndinokuda wani hauzvione


here?" Moziva ndakanzwa hasha Annah
achitaura zvisina basa ndokubva
ndazvibvisa pana Rea ndikanomira pamberi
pake ndokubva ndamutarisa zviya zvekuti
une pfungwa dzakati kwesere here shuwa
kuudza murume wangu kuti ndinokuda ini
ndiripo ,zvakandinzwisa hasha ndokubva
Annah anditarisa achimonya miromo yake
ndikazoona ndasundwa ndikabva
ndagamwa na Rea ndokubva ndatomukisa
pamuromo ndichida kumusvotesa ndikati "I
love you dady rega ndipedzerane naye
aratidza kundijairira uyu hangakuudzi kuti
anokuda ndiripoka , handifungi kuti
akakwana akatosara uyu ko haasi kuona
ring here kuti takachata. Ndoda
kutwasanudza pfungwa dzacho dzinatse
kuti twasu. Kana iri mvura yakazara
mumusoro mako inoita kuti usafunga
mushe nhasi ndinoda kuipedza."

Ndakabata kahembe kacho kaaiva akapfeka


iko kaisiya guvhu rese panze ndokubva
ndamupa zenya rembama achibva ati "ayi
shuuu" achibata dama rake ,paaive oda
kundidzorera mbama ndakabva
ndamukwapaidza futi ndikati "uchiri kuda
murume wangu here. Bvuma kurambwa
wanzwa" ndakadaro ndokubva aramba
akanyarara ndikamumamisa futi ndikaona
akubuda mututu mumhino "chimusiya
babe" akadaro Rea ndikati "steady!
handisati ndapedza naye" Annah ndaida
kuti ataure nemuromo wake kuti haachadi
murume wangu ndobva ndamusiya "daira
zvandiri kutaura sei uchindijairira kutondi
saiza zvako kuudza murume wangu ndiripo
kuti unomuda,sei usina matyira nhaiwe."
Ndaiva ndakangobata hembe yake
achiramba akanyarara zvikandipa hasha
nekuti kunyarara ikoko kwairatidza kuti
achiri kuda murume wangu , paakaramba
akanyarara ndakabva ndamupa mbama
achidonha pasi achinobatira nemaoko
akaita zvekukotama. Ndakabva ndati
zvazviita zvega ndokubva ndamupa bhutsu
akafongora kudaro achibva adonha muvhu
chaimo ndakabva ndabatwa na Rea "babe
wangu chimurega kani" ndikati "unomuda
why uri kuti ndichimurega handimusiyi kana
asati adaira zvandiri kuda" Rea akabva ati zii
kuita seasipo ndokubva ndanochonjomara
paiva na Annah ndikati "uchiri kuda Rea
here?" Akabva adzungudza musoro wake
achiti "no ,no handichamude hangu"
ndakabva ndati "ndikakuona futi uchifonera
murume wangu ndinonetsana newe"

Ndakabva ndamusiya ndokubva ndabata


Rea ruoko rwake tikaenda kumota. Rea
akanga anyarara , handina kuziva kuti
kunyarara ikoko akanga akufungei
ndokubva ndamutsa mota ndakanyarara
handina kumboda kuitawo hanya yekutaura
naye. Takasvika kumba achibva
atozvikandira pamubhedha ndikabva
ndaenda kunogeza. Pandakapedza kugeza
ndakanogadzira chikafu cha Rea inini
ndakanga ndisina nzara. Ndakapedza
kugadzira ndokubva ndaenda nacho ku
bedroom kwaaiva. Ndakamumutsa achibva
ati "Ndakaguta handina nzara"
ndakapererwa nekuti aive asina kumbobvira
adya ndikati "wakaguta? Wambodya chii uri
kuti wakaguta" ndakabvunza akati "Andina
chandadya kungonzwa hangu kuguta"
ndakatsveta chikafu chiya ndokubva
ndakwira pabed ndikati "wakatsamwa"
ndakadaro nekuti aive atochinja akati "no"
ndikati "Saka chii chaita uchinje kudaro. Asi
Annah unomuda kani ,uri kurwadziwa kuti
ndamurova here?" I asked ndatochinjawo
mood achibva amuka , chiso chake
chaisaratidza kufara zvachose. Zvino
chaaive atsamwa chacho ndakachishaya.
"Muromo wako iwowo babe handidi kana
kuunzwa wanzwa." Akanga atsamwa ndikati
"Saka why wachinja ndakuona kubva
zvandanga ndichirova Annah wako" akati
"ava Annah wangu manje ,babe why
usinganzwi uri kuramba uchidzokorora
muromo wandaramba. Handikudi here?"
He said ndikati "unondida" akati "Saka chiri
kunetsa chii? The way yawataura nayo
andina kana kuifarira hangu wabvira kare
uchiti ndinoda Annah ndinomuda kumudii
kwacho ini ndinewe mumba muno. Pane
chandisiri kukupa here? Murume wako
unaye mumba muno ita zvaunoda naye
kwete kundiudza kuti ndinoda Annah. Ipapo
wanditsamwisa hako , handina nguva
yekufunga Annah ini, ndiwe uzere mubazha
rangu hakuna mumwe andinofunga kunze
kwako but wakutondiona semunhu anoda
zveku cheater. Handizvidi babe wangu."

Ndainge ndaita gumo diko kudai nekuti Rea


akange atotsamwa kungoti ndaive
ndatsamwawo nekamuitiro kake
ndikafunga kuti zvimwe anomuda, "sorry
dady ndanga ndichingotaurawo handina
kuti ngatipopoterane ndaingoda kuziva
chaita uchinje kudaro ndokusaka ndati asi
unomuda ipapo ndaresva hangu kutaura,
sorry Samaita."

*End of chapter*

*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Ios8pJVRKQMH
lNt7dCSxKE

*POOR SHUPIKAI*
*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 46*
*REA*

"Ndazvinzwa mukadzi wangu ngatirege


kutsamwirana hazvina zvazvinotipa mumba
medu ngatisiye nyaya dza Annah iwewe
ingoziva kuti daddy Rea vanokuda."

Dee akaramba akanyarara asina zvadaira,


kutaura chokwadi ndakavhunduka ini
pandakafonerwa na Annah , munhu
wandaive ndane nguva ndisingataure naye
ndiye anga oda kudzoka futi mupfungwa
dzangu. Annah aitoda kuita chiyedzo
mumba mangu.Ndakaona foni yangu
yatorwa naDee achibva abvisa line rangu
kwakutanga kurigura gura achibudisa
misodzi ndakatoshaya kuti ari kuchemei.
Zve line andina kubatikana nazvo
ndaizotsvaga rimwe rekushandisa."kwaiiko
babe" ndakadaro ndichiswedera pedyo
naye akaramba akanyarara ndakaisa
musoro wake pamakumbo angu
ndikapukuta misodzi yake."ndaresva
kutaura here babe.Handina kutsamwa
wanzwa here babe" ndakadaro ndichibata
matama ake asi haana kudaira. Aingobudisa
misodzi yake ndikamusiya achidaro kuti
shungu dzake dzipere. Paakazonyarara
pacho haana chaakataura aive zii zvake.

Annah uyu aive akutokonzeresa chaiko


nekuti taive tisingachatonzwanani ipapa
ndaive ndakutoona kuti Dee atsamwa
pamwe mataurire andaive ndaita ndiwo
aive amutsamwisa."babe wangu taura neni
pane chiri kunetsa here?" akabva anditarisa
zvikanzi "hapana" akadaro achisimuka
kuenda ku kitchen ndikasara ndichirara
hangu.Zvino ndaigadzirisei iye aisada
kutaura zviri kumunetsa zvacho. Takarara
manheru asingatodi kutaura zvake
ndakangosiyawo akadaro.

Mangwana makuseni akamuka kugeza ini


ndakarara hangu nekuti kwaitonhora
chaiko , Dee akapedza kugeza ndokubva
auya kuzora mafuta nekuchinja hembe.
Ndakaona akutora makey emota ndikati "uri
kuda kuendepi babe" akabva ati "kunoona
gogo" ndikati "Saka waida kuzondiudza
nguvai babe, ndakutadzirei chaita
usandiudza kuti uri kuda kunoona gogo."
aingofana kungondiudzawo ndogara
ndichiziva. "Ndaida kukuudza" ndikati
"nguvai babe nezuro wese waive
wakanyarara handi ndipo pawaifana
kundiudza usadaro babe zvakuita sekuti
hauna munhu waunogara naye pano. Handi
unoudzawo murume wako kana iri nyaya ya
Annah yawakatsamwa sorry zvako babe
handidi kuti mumba medu mushaye mufaro
nekuda kwa Annah" ndakadaro achibva
aramba akamira panzvimbo imwe chete
achibva azosimudza musoro akati
"ndokumbirawo undiudze chokwadi Rea"
akadaro ndikati "chokwadi chei" akabva
agara pabed akati "hauna ma feelings na
Annah here dady ndiri kubvunza zvakanaka
hatisi pakunetsana ndipindurewo mushe."
Ndakabwaira maziso angu ndapererwa
nemubvunzo wa Dee. Ndakashaya kuti aive
azvifunga nguvai izvozvo.

"Handina babe" ndakadaro achibva


amboramba akanyarara akati "hausi kuda
kundiudza okay" she said achisimuka ndikati
"Wait babe" akabva amira ndikati "gara pasi
titaure" akabva agara pasi ndikati "kutaura
chokwadi Annah ndaimuda asi ikozvino
handichamude babe ndiwe uri pahana
pangu ende ndinotokuda kudarika
zvandaiita Annah." ndakangopiwa kaziso
ndokubva atarisa side hake ndikati "but
wakambotsamwei babe " akati "pane
zvandiri kuona pauri Rea zvekuti
ukasangana na Annah iyeye mogona
kutodanana ende magumo azvo kurara
mose. Zvisinei hazvo nyaya ya Annah
handichadi kuinzwa" akadaro ndokubva
ndachinja nyaya ndichiti "ndoda
kukutsvagira musikana webasa" zvikanzi
"unoda kuzonyengaka" Dee akanga asisiri
normal chete ndinosiziva asina hasha asi
aive atochinja kutoita umwe Dee chaiye.

Handina kuda kuzotaura nezvazvo


ndakatoona kuti tingatoramba tichinetsana
nezvinhu zvisina basa. Ndakabva ndabuda
muma blanket ndikagara padhuze naye
ndikamutekenyedza akatanga kuseka
achidonha pamubhedha ndakaramba
ndichimudaro ndikazomusiya nekuti
aizotonzwa mabayo nekuseka.

Ndakabva ndarara pa side pake akabva ati


"sorry dady nekusawirirana kwatamboita I
love you" akabva atondikisa akakwira
pamusoro pangu ndokubva tatokisana paya
ndikazoona asisina hembe
ndikatoshandirwa paya apa ndaive
ndatovawo nenzara nekuti madeko acho
ndaive ndarara ndakadaro ndisina
kumbomubata. Paakapedza takaenda
kunogeza tese. Takapedza ndikati "saka
watii panyaya yekuenda kwa gogo"
ndakadaro akati "ndoda kunzwa newe
ndoenda here kana kuti ndorega"ndikati
wozoenda mangwana nhasi ndiri kuda
kuswera newe" ndakabva ndatoenda
kunogadzirira mukadzi wangu chikafu
chekudya ,ndakagadzira cereal ndokubva
ndatoenda nayo kwaaive akati "handidi
chikafu ini" ndikati "wane mazuva
akawanda usingadyi babe please idya
zvishoma mukadzi wangu unoda
kundiondera pano gogo vanozofunga kuti
ndiri kukushusha" akabva aseka achiti
"havambodaro dady ,shuwa handina nzara
ini usazvinetsa" ndikati "asi wambodya?"
Akabva adzungudza musoro
ndikamunyengerera ndikamupakisa
akadya ,pandaive ndomupa spoon yechi
three akabva atanga kurutsa zvaipisa tsitsi.
Zvaitondinetsa ini kushaya kuti chii chiri
kuitika pana Dee ,nekuti aingoti ari pakati
pekudya obva atorutsa. Paakapedza akabva
ati "ndakuudza kuti handisi kuda kudya
Rea" ndikati "sorry babe wangu moyo
ndiwo warwadza wena pava nemazuva kaa
usingadye. Ndiudze kuti uri kumbonzwei
babe" ndaitoda kuziva kuti chirwere rudzii
chinodaro ichocho "handina kana pari
kurwadza" ndikati "toenda kuchipatara kaa"
akati "kwete handi handisi kurwara here"

Takabva tanzwa knock pa door Dee achibva


ayenda kunovhura door. Ndakazoona
akupinda mumba akatungamidzana na
Dudu ndikashaya kuti ari kudei chaizvo.
Ndakamupa pekugara ndokubva agara akati
"ndokumbirawo kutaura nemi mose
muripo" ndikati "taura" ndakadaro akati
"Rea ,ndiregererewo pane zvose
zvandakaita handizivi kuti mweya rudzii
waindibata. Mai Chimiro ndinoti sorry
zvenyu pane zvandakaita ndakakanganisa
chaiko ndinokumbirawo kuregererwa"
ndakabva ndatarisana na Dee "unoda
kuswededza murume wangu padhuze kuti
umuite zvaunoda" akadaro Dee zvikanzi
"kwete , ndinozviziva hangu kuti muchiri
kundifungira zvakaipa but handichadaro so
zvinonetsa kuti mundi believe haisi mhosva
yenyu asi zvandataura i chokwadi." zvikanzi
"murume wangu akaona chaanoona
ndoziva kuti ndiwe" akadaro Dee ndikati
"babe ngatisaita hasha tiri vanhu
vanonamata isu muregerere kana iye
azoitawo zvaanoita hameno hake na Mwari
wake isu ngatirege kumutsamwira."
ndakadaro akati "okay sorry yako yanzikwa"
zvikanzi "maita basa mama Chimiro Mwari
ngavarambe vainemi. Baba Chimiro
ndinotenda nenguva yenyu yamandipa kuti
nditaure zviri pamoyo pangu handichagari
ini regai ndiende" Dudu aive andichinjira
chaiko ndikati "okay chibaba" akabva
ayenda tikasara tichitarisana na Dee.

"Akuita semunhu kwaye" ndakadaro


zvikanzi "Ah hameno hauzivi kuti kana
munhu aine zvaanoda anonyepa kukuitira
munhu kwaye" said Dee ndikati "hameno
kana pane zvaari kuronga handimbotye ini"
ndakabva ndatora makiyi emota ndikati
"ngatimbosvika kubasa babe. Totanga
kuenda kumba kwana dad then todarikira
hedu kuenda" takabva tabuda kuenda.
"Ndoda ma apple" akadaro Dee paaive aona
ma apple aitengeswa ndichibva ndamisa
mota ndikamupa mari yacho akanotenga.
Ndaida kuzototenga ma fruits acho
akawanda pamwe angambodyawo sezvo
asiri kudya chikafu. Akauya ndokubva
taenda hedu. Tichisvika takasiya mota
kunze kwe gate ndokubva tapinda hedu.
Dee akasara achigadzirisa bhutsu yake yaive
yakumuka ini ndikapinda mumba.
Ndakazovhunduka ndichiona dad na Lizzy
vachikisana ndakaita sekuti ndaresva kuona
ndokubva ndatsukuta maziso angu
ndokuona zvechokwadi vanhu vari kukisana.
"Wandisiya Rea" akadaro Dee achidaidzira
ndikadududza kudzokera shure ndisingadi
kuonekwa ndikapa Dee sign yekuti nyarara.
Saka zvaitoreva kuti dad na Lizzy
vanodanana kaa ndizvo zvaitovapo apa. "ko
chii wadzokerei?" Akadaro Dee
ndikamudhonza kuenda naye ku mota. Ko
mumba macho maive muchapindika here
ndaona vanhu vachikisana.

"Dad na Lizzy vari kukisana mumba umo"


ndakaudza Dee achibva aseka akati "haa
iwe ita kuti uri kujoka" ndikati "serious babe
ndosaka ndadzoka" ndakabva ndatomutsa
mota kuenda kubasa. Ndaingofunga
zvandaive ndaona , hameno Lizzy aitoda
dad vangu zvekurevesa here kana kuti pane
zvaaida hake kwavari nekuti vasikana
havadi kuona paita mari ,ndakangosiyana
nazvo pamwe ari serious hake Lizzy wacho.

Takasvika kubasa ndika introducer Dee


kune vashandi vangu ndokubva taenda ku
office ndikati "ndipo pabasa pa dady pano"
ndakadaro ndichigara pa chair achibva
agarawo akati "ndapaona zvangu" ndikati
"wotombondirongerawo mapaper aya
amire zvakanaka" akaseka akati "ndizvo
zvandavinga kuno here amana ah" ndikati
"husimbe here" akabva amagadzira akamira
zvakanaka ndikati "thanks ndine mamwe ari
umu" achibva aseka achiti "chiitawo wega
iri harisiro basa rangu , rangu ndere
mumba"
"But kushanda unokuda here?"
Ndakabvunza akati "eh ndinoda" ndikati
"hoo but handidi kuti ushande"

Takaswera kubasa ikoko tichibva tazoenda


kumba zuva rakutovira. Patakasvika kumba
Dee akabva aenda kunobika rice ndokubva
ndanomubatsirawo kubika chicken. Iye aiti
haasi kuida ndokubva ndabika yangu ndoga.
Takapedza tikapakura Dee akaisa rice chete
isina chinhu ndikati "ko salad hauyide here
pane kuti udye rakati mbembe kudaro.
"Ndanga ndatokanganwa kuti mune salad
ingadai ndato boilisa ma potatoes zvisinei
ndozozviita mangwana" takabva tatanga
kudya hedu ini ndaingoda zvangu nyama
rice ndakangodya shoma.

"Warambirei chicken" ndakadaro akati


"handiidi" ndikati "kutanga rini babe" akati
"nhasi dady" pane zvandakanga ndofungira
pana Dee nekuti sandizvo zvaaimboita.
Ndaive ndofunga kuti zvimwe nhumbu
yakabata why aiti akadya orutsa apa
oramba futi chicken. "Uri kunakirwa neiko
uri kunyemwerera kudaro" ndakavhunduka
nekuti ndaive ndotonyemwerera ndega
kusaziva kuti zvaiva zvakaita here
kwaingova kufungira kwangu. "hapana babe
chicken yandiri kudya iri kunaka iyi"
ndakadaro ndichitoseka akati "abvai
wanakirwa kani kubva waita
zvekunyemwerera."

Takapedza kudya ndokubva tanorara hedu.


Mangwana acho ndakanonoka kumuka
hangu ndikazomuka kwakupisa Dee aive
atopedza kuita zvese ndikatomuka kudya.
"Ndakuda kuenda kwagogo" akadaro
achichinja hembe ndikati "rega ndipedze
kudya ndikuperedze unoda kurarako?"
Akati "ndoda kuita mazuva maviri ndiriko"
ndakaseka hangu ende aitorwara chete
ndikati "murume wako anenge achigara
nani manje kana ukada kupedza mazuva
maviri uriko" akabva arereka musoro wake
achiti "ndokumbirawo dady ndiri kunzwa
kuda kupedza mazuva maviri ndichiona
gogo"
"Okay babe handikurambidzi asi
ndichakusuwa hangu" akati "unouya
kundiona" zvaizoita here kuti ndirambe
ndichienda kwagogo kunomuona"
ndakapedza kudya tikabva taenda tese.
Takasvika gogo vakagara havo ende
pavakationa vakafara zvisingaiti tikabva
tambundirwa ndokubva tazogara pasi.

"Munofara here gogo" ndakadaro vakati


"ndinofara mwanangu kurisei kumba
kwenyu haasi kunetsa here mukadzi uyu"
ndakaseka ndikati "mazuvano akunetsa uyu
ipapa atoita zvekurereka musoro kuti ndoda
kuita mazuva maviri nagogo" ndakadaro
ndichiseka hangu nagogo , Dee akanga
aenda ku bedroom kunotsveta zvinhu zvake
gogo vakati "hazvisi zvega pamwe
azvitakura" vakadaro gogo Dee achibva
auya akatanga kuyemera gogo vake ende
aitota kunga mucheche zvake. Ndakabva
ndaoneka ndikaperekedzwa kuenda kumota
akati "uyite zvinhu kwazvo kumba ikoko"
akadaro Dee achinditsvoda ndikati "Ah
koiwe wambosiirei imba yako nhasi
ndotorara ndakambundira pillow ndaive
ndajaira kurara ndakakumbundira" akabva
aseka achindimbundira akati "wotoshinga
kusvika ndauya"
"Okay babe usare bho kwete kunetsa gogo"
ndakabva ndaenda kumba ndikasvika
ndichirara hangu.ndakazomuka zuva
ratovira ndikaita zvekubika ndikapedza
ndokubva ndatodya zvangu. Chikafu chako
chaimbonaka here ini ndaiva ndega kudaro
ndakangodyawo zvekutsimisa hura
ndikatoenda ku bedroom kunorara.
Ndakabva ndafunga kufonera Dee ne video
call ndikaenda ku app ndikaona ari online
atoisa message yekundisweresa
ndikatofona ne video call akakurumidza
kudaira ndikamuona asina kana hembe
ndikanzwa moyo wekuda nezvake.

"Zvirisei dady" akadaro Dee


achinyemwerera ndikati "ndiribho hangu
kumba kuri kubhowa uku babe apa wabva
wandishamira uri kure kudaro zvawatanga
izvi unoda zvipedzwe nani" akabva aseka
achitonatsa kufugura blanket raiva akafuga
ndikaona asina kana pent zvaro ndikaita
sendichadonha masiriri akati
"wotombozvidira mvura" ndakaseka hangu
ende anopenga Dee ndikati "haunzwe babe
chero ndikadira mvura ndongoramba
ndichinzwa kuda iwewe. Ko wadya here
babe" ndakadaro akati "ndadya zvishoma
hachisi kumbondinakira chikafu chacho
ndinoda ma fruits ini" akadaro Dee
"paunouya unowana ndatenga babe ini
ndadyawo zvishoma chikafu chacho hachina
kundinakira nekuti haupo"

Ndichipedza kutaura ndakanzwa door repa


bedroom richivhurwa zvehasha ndikatadza
kuziva kuti ndianiko apinda apa ndainge
ndisina kukiya madoor acho ndainge
ndatorivara kusvika pakuda kutorara
ndisina kukiya. Ndakarohwa nehana
ndichiona ari Annah.

"Annah!!!" I said ndichivhunduka achibva


amira pamberi pangu "heyy Rea wati Annah
aita seiko ,chii chiri kuitika Rea"
ndakatovhunduka ndichiona kuti ndichiri pa
video call ndokubva ndaikata ndikaramba
ndakatarisa Annah uyo aive angomira
semudzimu ndikashaya kuziva kuti aive
avingei chaizvo. Simba rekuti ndimubvunze
andina kuriwana ndokuramba ndakanyarara
ndichitopererwa apa aiva akapfeka
zvinokwezva. Pamba pangu aipaziva nekuti
ndaive ndakamuratidza tichadanana.

*MELISSA*

"Murisei mama" ndakadaro ndichimhoresa


mama ndaive ndavafonera ndichida kunzwa
kuti varipi. "Ndinofara urisei hako" ndikati
"ndinofara mama ko muripi?" vakati "hauna
basa namai vako Melissa wakatadza
kundibvunza musi uya wataparadzana here
hauna hanya namai vako handiti" vakadaro
mama ndikati "kwete mama ndaitova
nezvaindinetsa paya sorry mama" vakati
"zvei?"ndikati
"Mutoro wandakatakura uyu mama"
ndakadaro vakati "nanhasi hausati
wazvigamuchira mwana uyoyo
achazotokuchengeta kana wakuti mwana
uyoyo mutoro wakutoresva. Ndiri Gweru
ndiri kutoshanda ndakapinzwawo pabasa
neshamwari yangu" ndikati "okay mama
better kana makushanda" zvikanzi "
ndichakutumira mari ye preparation kana
ndahora" ndakafara kani nekuti ndakanga
ndisina pekutangira "maita basa mama"
vakabva vatokata vachiti vakudzokera
pabasa.

Mona ndakamufonerawo akati zvake zviri


kuendeka achiti akagamuchirwa zvakanaka
pamba pemukomana. Ndaingoti vagoni
zvavo ini kadumbu kakanga kakuoneka.
Ndakanga ndisina zvangu dumbu rakakura
zvekuti kana usina kutonatsa kutarisisa
zvaisambooneka kuti ndine nhumbu.

"Melissa!!"
Ndakadanwa nagogo ndichibva ndaenda
vakati "ndoda uperekedzane na Tinashe
kunogaisa dovi iri."vakadaro vachigadzira
nzungu dzavaive vakanga ndikati "okay
gogo regai ndinogeza" ndakabva ndaenda
kunogeza. Tinashe akanga asina kuenda
kumombe aive angodzisundira dzikanofura
dzega aiti adzichanetse aizonodzitsvaga
zuva rovira. Ndakapedza kugeza
ndikanochinja hembe dzangu ndikaisa
perfume.

"Mapedza kugadzira here" ndakadaro


vakati "Eh ndadziisa mu 5ltrs iri mumba
umo nemari yacho ndipo pairi chienda
unodana Tinashe. Ndaitira kuti uwane
waunofamba naye nekuti unogona kungoti
musana worwadza apa unenge uri wega
chiitai muende" ndakanodana Tinashe
wacho ndakamira padoor handina kupinda
achibva ati akuuya. "Mari iyi tengawo
zvaunofarira imwe yacho utenge chingwa
kana makudzoka"
"Maita basa gogo" maheu ndiwo
andaitonyanya kufarira hangu. Tinashe
akauya ndokubva taenda hedu aive
akachena. Takambofamba ka distance
kakakura pasina ataura neumwe ndiye
akazobvisa runyararo mushure mekunge ati
"ndipe ndibate chiacha" ndakamupa
akabata ndikabva ndatonyara hangu.
Zvaindibhowa kufamba nemunhu andinoda
iye asingandidi. "Uri kunhuhwirira Melissa"
akadaro Tinashe achisekerera ndikati
"thanks" ndichibva ndatonyarara apa
ndaive ndongotura mazifemo nekuti
pataifamba pacho waiva mukwidza chaiwo
ndakanga ndatoneta. Takati tadarika
mukwidza uya ndokubva zvanzi
"ngatimbozorora waneta iwewe" akadaro
ndokubva tanogara pasi pemuti ndikagara
pamusoro pedombo. "Wakatsamwei?"said
Tinashe akanditarisa ndikagadzirisa pahuro
ndikati "andina kutsamwa why wabvunza
kudaro" ndakadaro akati "ndiri kunzwa
kamudairiro kako Melissa"
"Nditori bho Tinashe" ainge akangonditarisa
but ini ndaive ndakatarisa side "Asi Melissa
ndinokuda hunhu hwako ndihwo
hwandisingadi chete ndazama kuda
kukufuratira but moyo uri kuramba.
Ndaikumbirawo kuti kana uchiri kuda
nezvangu ibva wasiya hunhu hwako
Melissa" ndakamunyararira angandi blamer
hake pamwe mimba ndiyo yakandituma
kuita izvozvo "taura neni Melissa kana
usingachandidi ndiudze ndibve ndarega
kukunetsa"

"Ndinokuda Tinashe" ndizvo zvega


zvandakakwanisa kudaira akati
"chindivimbisa kuti hauchaiti zvisina basa
Melissa nekuti handichina mazuva
akawanda ndiri kuno ndakuda kutoenda
Harare handidi kuti usare uchiita zvisina
basa wakashinga here kumirira ini chete
kusvika ndakudeedza Harare" akadaro
Tinashe ndikaona achitorevesa pane
zvaaitaura ndikati "handiiti zvisina basa
Tinashe" akati "okay babe ndinokuda so
usazondirwadzisa ndinotoda zvekuzogara
newe ndiwe musikana chete andida
sezvandiri vandaisangana navo vaida mari
chete vachindituka kuti ndine nhamo
handina chandinacho." Ndakabva
ndamumbundura ini ndaimuda hangu
zvekurevesa zvisiri zvekuti ndaida mari
yake ,ndainge ndotoshuvirawo kutororwa.
Tinashe akabva andipa katsvodi pamuromo
akati "handei tambozoora" takabva tatanga
kufamba futi takanga tava padhuze hedu.
Takasvika ndokubva tagairwa nzungu dzedu
ndikabhadhara mari tichibva tadzokera.
Takaenda nekuma shops ndikanotenga
zvingwa zviviri nemaheu angu."kachaita
kasikana chete" akadaro Tinashe ndikati
"watii?" akati "ndati uchazvara musikana"
ndakabva ndaseka hangu kamusikana ndiko
kandaitoda. Ndakamupa maheu achibva
amaramba ndikati "kana uchindida imwa"
akaseka ndichibva ndamupa akamwa
achibva atondidhonzera padumbu pake "isa
maheu mukanwa mako undimwise
nemuromo" ndakaseka hangu ndikati
"hausemi?" akati "kusema chii nhai Melissa
handi ndinokuda here saka
ndinokusemerei" ndakaisa maheu acho
mukanwa mangu ndichibva ndaisa muromo
wangu pane wake achibva ashama
ndikamupa achibva atomwa. "ndimwise
ndikuitewo" ndakamupa akamwa achibva
andimwisawo nemuromo akati "rudo
zvarunonakidza nhai" ndaseka
ndichimuzembera achibva andikupukuta
zvimasese zvemaheu zvaiva pamuromo
ndokubva taenda.

Taifamba tichisesedzana ndichiudzwa nyaya


dzerudo ende ndakabva ndaona kuti
Tinashe anondida sezvandiri ndikazviudza
kuti handichamboiti zvisina basa nekuti
ndaitomudawo chaiko. Takasvika kumba
tikabva tatodya nekuti gogo vakanga
vatobika chikafu.

Mazuva akafamba mwedzi ukapera Tinashe


achibva atopiwa mari yake akatoudza gogo
kuti akusiya basa gogo vakarwadziwa nekuti
aiita basa rake nemazvo ,"zvakanaka
muzukuru wangu handifungi kuti ndichaona
mumwe munhu akaita sewe ufambe
zvakanaka kwauri kuenda ikoko unoitawo
semunhu kwaye ndainge ndotokuona
semwana wangu Tinashe waiita basa rako
zvakanaka ende zvaindifadza rega ndikupe
imwe mari." Vakabva vasunungura kabag
kavo kaiva muchiuno vachibva vabudisa
mari kwakumupa "maita basa gogo
ndinotenda maindibata semwana wenyu
mwari ngaave nemi gogo vakuitirei
zvizhinji" akadaro Tinashe gogo vakati
"unotendei hako muzukuru. Melissa
perekedza mumwe anokwira bus" ndakabva
ndaperekedza Tinashe aiva asina hake bag
rakakura ndikati "ndichakusuwa swt"
ndakadaro akati "chero ini babe moyo
wangu uri kurwadza kukusiya kuno.
Ndapota usaita zvisina basa babe zvinhu
zvangu zvikangondifambira ndodzoka
ndichikutora." Akadaro but ndaive ndisisina
mufaro ini ende ndainge ndototya kuti
anondowana mumwe musikana ikoko
"hakuna mumwe musikana andichada ini
ndoda iwewe babe" akadaro Tinashe
ndikashaya kuziva kuti aona sei kuti ndizvo
zvandiri kufunga.

Takafamba kusvika ku road ndokubva


tamirira bus racho. "Zvandataura
wazvinzwa here?" said Tinashe ndikati
"ndazvinzwa" ndaive ndotoda kuchema
akati "usacheme handimbokurasisi Melissa
usazvidya moyo unokuvadza mwana ari
mudumbu" akadaro achibata dumbu rangu.
Bus parakanga rakuuya akabva
andimbundira achiti
"wakutondishungurudzawo babe usare bho
ndenge ndichitaura newe pafoni." Akadaro
bus richibva rasvika achibva atokwira
akandibhaibhisa bus richibva ratosimuka
misodzi yangu ikadonha ndikaramba
ndakaritarisa kusvika rapota ndokubva
ndadzokera kumba ndatosuwa. Hameno
Tinashe aizodzoka kunditora zvechokwadi
here ,ndiri pakati pekufunga foni yangu
yakabva yarira ndikaona vari mama vaifona
ndikabva ndadaira.

"Hello mama." ndakadaro ne voice raiva


pasi vakati "urisei mwanangu ndine munhu
andabatisa mari iya achauya nayo kumba
ikoko kwagogo utenge hembe dzemwana
usadya wanzwa." vakadaro mama ndikati
"maita basa mama ndichaona auya
ndikapiwa ndozokuudzai kuti ndapiwa"
ndakadaro vakati "okay Melissa
ndozokufonera ndiri pabasa izvozvi"
vakabva vakata ndikati Mwari maita
henyu ,Mai vangu vane rudo but ini
ndaitovaitira hubenzi dai vari vamwe
vaisambozvitarisa zvekuti ndakatakura
mwana anoda kupfeka hembe kana achinge
abuda.

*End of chapter*

*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Ios8pJVRKQMH
lNt7dCSxKE
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 47*
*DELIVERANCE*

Pandakangonzwa Rea achitaura zva Annah


ndakabva ndaziva kuti pane zviri
kuitika ,chakazondibhowa inyaya
yekundikatira video call ndichimubvunza
chaiitika chacho.Hana yangu yakangotanga
kurova zvisinzwisisiki ndikabva ndaedza
kufonera Rea but call yacho haina kubatwa.
Ndakatanga kufunga ndakarara kudaro kuti
asi chii chaizvo chiri kutora nzvimbo kumba
uko. Kuti Annah aive auya kumba uko
kwaiva na Rea here? Asi aigokuziva sei
Annah wacho. Ipapo ndakabva ndamuka
ndokupfeka hembe dzangu ndikaenda ku
room kwa gogo ndichimhanya
"gogo ,ndakuenda kumba kwangu pane zviri
kuitika ndichadzoka ndichikuonai gogo"
ndakadaro ndatobata chi handle chepa
door kuti ndibude "kwaiteiko nhai Deri
unoda kufamba nehusiku huno unomboziva
kune matsotsi here unobhinyiwa muroad
umu" vakadaro gogo ndikati "chauya
chauya chinoona ini gogo ndakuenda ini
handisi kurara pano" ndakabva ndabuda
ndikanotora makiyi emota ndokuti speed
ndakananga panze.

Ndaive ndotononokerwa nekuda kunzwa


kuti Annah aita sei? Ndakambofunga kuti
zvimwe Annah afonera futi Rea. Ko iye
munhu rudzii nhaimi asinganzwe andakanga
ndabva kurova manje manje. Haiwa mota
ndakairova zvekuti ndaive ndotobatira hana
mumaoko chaimo kuri kutya
kuzvibheusa.Kumba kwacho paiva padhuze
zvapo asi ndaive ndakutoona sekuti kure
chaiko. Pama minutes mashoma shoma
ndakanga ndasvika ndokupaka mota yangu
mu garage ndokubva ndapinda mumba
ndikabva ndakiya door ndokubva ndaenda
ku bedroom. Imiwe ndakati ndava pa door
ndokubva ndarohwa nehana ndichiona
Annah ari pamusoro pa Rea. Ndakabva
ndapera simba kani ,kumira pa door
kwandakaita havana kana kukuona sezvo
door racho raiva rakavhurika neche kare.
Amana ndakarwadziwa kunzwa Rea
achichemerera akakwirwa na Annah ,
ndakanga ndave confused kushaya kuziva
kuti zviri kufamba sei. Ukuwo misodzi yaive
yobuda , handina kuona kuti ndakakwakuka
nguvai ndichisvika kunomhara Annah
nembama. Kana ruoko rwangu rwakasara
ruchirwadza. Nguva iyi ndakabva ndabata
Annah kukasimudza mudenga ndokubva
ndakarovera kumadziro kachibva karidza
mhere. Simba racho handizivi kuti raibvepi
nguva iyi. Iri benzi rangu raive
rakangobudisa maziso chete. Veduwe
ndakarwadziwa kana simba rekutaura
handina kuriwana. Saka zvaireva kaa kuti
Rea anoda Annah. Ndaive ndakazviona ini
but iye akabva andishushira nhema
ndichimubvunza nezvazvo. Mugoona ndaive
ndakambobvunza nezvazvo zvekuti hauna
ma feelings na Annah here ndokundivhara
hake achiti haamude. Ndakaita
sendicharidza mhere hamawe ndakabva
ndaenda ku kitchen kuno boilisa mvura mu
jug. Ndainzwa kuda kutouraya munhu
chaiko ndaive ndatobatwa neshavi
rehumhondi zvekuti ndaigona kutoremadza
munhu.

Mvura payaka boiler ndakabva ndaenda


nayo ku bedroom ndikaona Annah
achiumburuka akabata gotsi rake
ndakangoti neche mumoyo mangu nhasi
ndoda kukuremadza kamunhu rudzii
kasinganzwi veduwe. Ndakabva ndakadira
mvura makumbo acho iwawo mwana
wevanhu akaridza mhere yakavharisa imba
yose , Rea akabva asimuka pabed kuda
kundibata, nekushatirwa kwandaive
ndakaita ndakabva ndamukwapaidza
nembama achidzedzereka akanotsima
nebed. Ndakaenderera mberi nekudira
Annah uyu aive ongotomuka kasingaperi.
Handifungi kuti aizoda murume wangu
zvekare , nguva iyi ndakabva ndakabata
ndikakadzipa huro ndokubva ndarovera
huma yacho kumadziro ndikati "kamani
buda muno ndinokugadzirisa chete ukanaka
iwewe." Ndakabva ndanovhura door sezvo
ndaive ndarikiya kachibva kabuda
kachimhanya chaizvo kasina kana kupfeka,
zvihembe zvaive zvakabatwa
mumaoko.Paakaenda ndakabva ndagara
pasi kwakuzembera door ndikatanga
kuchema.

Ndaisazvi believer kuti Rea atorara na


Annah kusaziva kuti aive apedza here kana
kuti aive asati atunda. Ah ndakarwadziwa
ini ndikademba kuti dai mai vangu varipo.
Ko aive nenzara yakanyanyodii kusvika
pakurara na Annah.Apa ini ndaive ndisina
kupedza maviri acho ndiri kwagogo zvekuti
angachema chema kuti anga ave nenzara.
Izvi zvakaita kuti ndifunge kuti vagara
vaizivana havo vakabva vafonerana kuti
Annah auye vanakirane. Kana ndaiti
ndakamborwadziwa ndainyepa chaiko apa
ndipo pandakarwadziwa kusvika
pekupedzisira. Godo raiva rakagara pahuro
pangu handifungi kuti raizokasira kupera.

Inga bonde ndaimupa wani ndichimuitirawo


zvimastaira zvekuti afare zvino aive
apindwa neiko? Rea aive atamba
nepfungwa dzangu kundiona hake
sedzakashota. Ndakaona Rea akukwesvaira
achiuya kwandaive achinyepa kunzwisa
tsitsi ndikabva ndaridza tsamwa
ndichisimuka. Pandaive ndofamba kuti
ndiende ku bedroom ndakabva ndabatwa
ruoko achibva andimbundira neche
kumashure ndikabva ndamurova negokora
aifunga kuti ndiri kunakirwa here.
Ndakanzwa kumusema kuita sekuti haasi
murume wangu. Kungofunga kuti ndaona
Rea achikwirana na Annah moyo wangu
waibva wasviba kuti tsvaa. Apa ndemunhu
aitochemerera hake kuratidza kuti zviri
kuendeka.Misodzi haina kumira kubuda
ndikabva ndaenda ku bathroom
ndikanopedza shungu dzangu ndiri ikoko.
Pandakatarisa ring yaiva muchigunwe
ndakabva ndaona seyaitowedzera
kundirwadzisa ndokubva ndaibvisa
ndikaibata muruoko mangu.

Ndakazonzwa ndobatwa neche kumashure


ndikashaya simba rekumupusha. Rea
akauya kugara pamberi pangu achibva ati
"sorry mukadzi wangu handizivi kuti chii
chandibata handina kutoziva zvanga
zvichiitika babe ndazongoona annah ava
pamusoro pang..." Ndakabva ndamurova
mbama achibva abata dama rake , ndaisada
kumurova asi zvaiita zvacho ndizvo
zvaindipa hasha. Rea ndaimu respecter ini
zvaisada kana kufungira asi apa akatadza
kundi respectawo kutadza kuzvidzora
veduwe kunga munhu asina mukadzi.

"Imbwa unoiziva here?" Ndakadaro


ndakabudisa ziso achibva agutsurira musoro
ndikati "ndiwe iwewe.Handina kuziva kuti
ndizvo zvauri hako Rea. Waita basa
nekundiratidza mabasa ako kana chirwere
unogona kundipa pano ndichifunga kuti
ndine murume akavimbika anotya mwari
ndisingazive kuti ndiri kugara nembwa
inongofunga kukwira payanzwa kuda nxa"
ndakabva ndasimuka achibva andibata
ruoko zvikanzi "sorry babe wangu
zvangondibatawo. I Know ndakurwadzisa
babe chindiregererawo"
"Sorry haina zvainobatsira Rea. Inopedza
bundu riri pamoyo pangu here? Bonde
handikupe here Rea? Pane zuva
randakambokunyima here? Handinake
here?"

"Unonaka babe,ndatadza kuzvidzora


Mamoyo wangu mhosva handirambe
mukadzi wangu ita hako zvaunoda kuita
neni asi ndinoti sorry babe" ndakaridza
tsamwa ndichienda ku bedroom
ndikamusiya arimo mu bathroom. Handizivi
kuti ndaizomuregerera kana zvadini chaiko.
Ndakarara pabed ndikatanga kuchema
ndichidana amai vangu ,ko havandioniwo
here kwavari ikoko why nhamo yangu
isingade kupera. Hameno yaizopera rini uye
zvadini. Mwari wacho ndaive
ndakamutadzirei chaizvo.

"I'm sorry babe. Ndinokuda babe ndatadza


zvisingaiti handisi kuramba" akadaro
achibata musana wangu ndikati "wanga
watunda?" ndakabvunza nekuti ndaive
ndototyira futi kuti Annah anogona
kuzodzoka achiti ave nenhumbu akati
"ndanga ndisati" ndakabva ndamupa ring
yake ndikatora ma blanket ndikanorara
kune imwe room. Rea akada kutevera
ndakabva ndamuudza zvaienderana naye.
Ndaisakwanisa kurara naye nezvandainzwa.
So kurara ndega ndakaona sezviri nani.

Ndakazvikandira pamubhedha pfungwa


dzichingopishana. Hapana kuita nguva Rea
akabva aknocker padoor achiti "foni iri ku
ringer babe" ndaive ndatoikanganwa ku
bedroom ndokubva ndanovhura door
achibva atopinda ndikatora foni yangu
ndikaona vari baba vaifona. "Babe wangu
rega ndichikuudza chokwadi pamwe uri
kufunga kuti ndafonera Annah handina
babe ndangoonawo asvika , kutaura
chokwadi pandangomuona ndangonzwa
kumuda zvandisina kunzwisisa babe
anditozivi kuti chii changa chichiitika
ndinoziva kuti zvandiri kutaura izvi zviri
kukubhowa ndangoti ndikuudze chokwadi
babe"

"Saka watadza kuzvidzora here Rea. Chii


china Annah chinoshamisira chandisina
inini , ndaive ndakakuona kuti unoda Annah
asi wakabva wandiitira hasha ukandivhara
vhara uchiti unoda ini manje ndezvipi
zvawaita Rea. Waratidza kundishoora hako
wandirwadzisa Rea waiti haufe
wakandirwadzisa asi nhasi wandirwadzisa
kusvika pekupedzisira."

Ndakabva ndamuti abude haana kuita


nharo akabva abuda ndikasara ndichirara ,
nguva iyoyo foni yangu yakabva yarira futi
ndikaona vari baba ndichibva ndadaira
"hello baba" ndakadaro ne voice
raishoshoma vakati "ndinofara mwanangu
wanga warara kaa sorry zvako
nekukufonera nguva dzino ndaida
kukuzivisa kuti hurongwa hwekugadzira
guva ramai vako huriko kuswera
mangwana." ndikati "horaiti baba maita
basa nekundizivisa" zvikanzi "okay
mwanangu rega ndirare kuneta kwacho
kunomboita here mazuvano ndiri busy
zvakanyanya kutozorora nekurara" ndikati
"zvakanaka baba morara zvakanaka"
vakabva vakata foni ndikabva ndaipfekera
pasi pe pillow.

Ndakazama kuda kutsvaga hope asi hadzina


kana kuuya zvadzo. Ndaingoti
ndikatsinzinya maziso angu ndaibva ndaona
ka vision ka Rea na Annah vachinakirana.
Kunze kwakasvika pakuedza
ndakangosvinura. Ndakazotorara kwaedza
kudaro ndikazomuka ne knock yaiva pa
door. Rea akapinda ndikaramba ndiri
mumachira.
"Morning babe" akadaro Rea achindifugura
musoro ndikati "ndiri bho" ndakadaro
ndichidairira mumhino ndaitonzwa
kumuvenga chaiko zvekuti dai asiri murume
wangu ndaigona kumupfira chaiko but
nekuda kwekuti murume wangu ndaisafana
kudaro. Hongu kutadza kuriko asi apa
ndaive ndanyanya kurwadziwa zvekuti
ndaigona kutora nguva ndisati
ndamuregerera."hande tinodya babe"
ndikati "ndakaguta" nzara yacho ndakanga
ndisina ini plus chaidzika sei nebundu raiva
pahuro pangu. "Please babe
ndiregererewo"
"My heart's bleeding Rea ndokuregerera
chirudziiko?kana chirwere unogona kundipa
Rea. Ndakakubvunza kuti chii chiri kuiitika
ukabva wandikatira call kuratidza kuti
wanga uri panzara na Annah. Kuzoti dai
ndisina kuuya kuno maitoedzerwa kaa
muchinakirwa."
"Handina mhinduro babe ndirove hako
shungu dzipere" akadaro Rea ndikati
"handisi benzi ini usafunga uchiti
ndinokuregerera kufunga kwako uri kuti
ndiri kunzwa sei. Pain yandinayo
haitsanangurike Rea. Zvaunenge
wakakunda wani kare kose kusvika
tazobvisana hujaya nehumhandara so
kwakutadza kukunda muyedzo wa Annah."

"Please,,,, please babe anenge ane


zvaandiita uyu nekuti hapana
chandaitomboziva. Pfungwa dzangu
dzakazotoshanda nguva yawakasvika." aiva
apfugama pasi ndikaramba ndakaomesa
musoro akadzimara abuda akaenda.Ainyepa
kuda kunzwisa tsitsi aifunga kuti
ndingamuregerera zvekudaro.
Ndakazomuka ndokubva ndaenda kunogeza.
Ndiri pakati pekugeza akabva auyawo
akatanga kugeza hapana aitaura neumwe
taive takanyararidzana. Pandakapedza
kugeza ndakanochinja hembe ndikaenda ku
kitchen ndikano boilisa mapotatoes
ndokubva ndaenda kunoona tv. Rea
aingonditevera apa ndaiti ndikamutarisa
ndaibva ndanzwa kusvotwa chaiko.
Ndakabva ndasimuka ndikanotarisa
mapotatoes angu ndikaona aita ndokubva
ndamaisa mundiro ndikanogara pa chair
ndikatanga kumafunura. Ndapedza
ndakamaisa mu lunch box ndikaisa salad
ndikatokanyaridza ndokubva ndaisa muma
plate maviri yangu neya Rea.

Ndakabva ndaisa ne drink racho


ndikanomudana kuti tidye achibva auya
tikatanga kudya. Kugara padhuze naye
kwaitoita kuti ndifunge zvakawanda pamwe
nekumunzwira hasha. Ipapo ndakabatwa
neshungu ndikangoona misodzi yakudonha
ndikabva ndatombomira kudya ndonzwa
kagodo kaiva pahuro kachinatsa kuwedzera
kukura. Ipapo ndaive ndatotsikitsira huso
hwangu kwakutanga kuchema. Ndiro yaive
nema potatoes ndainge ndaisundira
kwakadaro uko. "babe kani wakurwadzisa
moyo wangu unoda ndiite zvekudii kuti
unzwewo sorry yangu." Aive apinda busy
kundinyararidza but zvaisambopedza
marwadzo angu andainzwa."kukuda
imhosva here Rea"
"Haisi mhosva babe inga ndataura chokwadi
wani Annah handimudi but anditonatsi
kuziva zvakanatsoitika" akadaro Rea ndikati
"ko aive aziva sei kuti uri wega" akati
"handizivi babe" chihure chekuitira kunze
chiri nane pane kuitira mumba ndinonzwa
kusema ini. Zvaitondinetsa kuti why ari kuti
hapana chaaiziva saka aive ashandisirwei
kuti avhiringike. Zvagara kana une ma
feelings nemunhu waunoda unotovhiringika
pfungwa. Rea aisada kundibudira pachena
kuti anoda Annah.
Takaswera zuva rose tisiri kuwirirana
tichingonetsana nenyaya ya Annah. Musi
uyu takarara tose haana
kutombondibatawo hake anenge akanga
atonyumwa zvake nekuti dai
akangondigunzva ndaibva ndanetsana
naye ,ndakakasira kurara sezvo nezuro
wacho ndaive ndisina kurara. Kwakaedza
ndakabva ndafunga kuti ndaive
ndakafonerwa na baba vachiti kune
hurongwa huriko ndakabva ndaenda
kunogeza ndikapedza ndokubva ndati "ndiri
kuenda kumusha" akati "kunei babe"
ndikati "kuri kugadzirwa guva ra mama"
akabva ati "toenda tese" ndikati "kwete ,
kuramba ndichiona chiso chako kudai ndiri
kutonzwa hasha nekubitirirwa Rea better
usare hako nekuti uri kutoita kuti
ndizarirwe." akabva anyarara ndokubva
azoti "ndokumbirawo upfeke ring" ndikati
"haa no ,gara nayo" ndakabva ndatora
makiyi angu ndikati "ndakuenda" akati
"ufambe bho babe" akadaro ne face
yaisiririsa handina kumboda kuzvitarisa ini.
Ndakabva ndabuda ndikaenda kumota
nguva yandakamutsa mota Rea akabva auya
pa window ndichibva ndadzikisa ndichida
kunzwa kuti ari kudei.

"Ndaikumbirawo upfeke ring babe wangu


vanhu vangozivawo kuti wakaroorwa."
ndakabva ndaseka zviya zvine
kakurwadziwa nekaugodo mukati ndikati
"kufunga kwako unoti ndaibvisirei ring
iyoyo." ndakadaro ndichida
kumurwadzisawo akati "watii? Handina
kunzwisisa babe" he said ndikati
"zvawanzwa ndizvozvo uri kutondinonotsa
futi ndine munhu wangu andoda kunoona
uko" akaramba akanditarisa akati
"ndinokumbirawo tisaita magame iwawo
babe" ndikati "hezvo ,ndisiye hangu pamwe
kuita bonde nemunhu wausina kuroorana
naye kunonakidza dakutozviedzawo
ndinzwe kuti zvinodini. Handi wakatonzwa
honeypot ya Annah ende inenge inonaka
kudarika yangu nekuti kamuchemerero
kawaiita ndeke kunakirwa so ndoda
kunoedzawo juju wekunze usare bho zvako
kuno ndogona kusadzoka zvangu."

Ndakabva ndaenda ndikamusiya akabata


musoro wake. Kwaingovewo kumuudza
mashoko erwadziso asi ndaimuda hangu
Rea but nekurwadziwa kwandaiita
ndaisambokasira kumuregerera.
Ndakanotora gogo ndokubva taenda zvedu
kumusha. Gogo vakatanga kundibvunza kuti
neyi ndakaenda kumba husiku
ndikangovavharawo nyaya yacho vachibva
vatorega kubvunzisisa.Takasvika kumba
vanhu vatoungana pachitobikwa bikwa
tikamhoresa vanhu ,paitova nevanhu vaive
vakawanda dzimwe hama dzaivapo
ndaisatodziziva. Pakatanga kumboitwa
kadare hameno vairongei pavakapedza
vakabva vatoti bhiridha atange basa. Nguva
iyoyo takabva tanzwa kuti

"Hoyiiiiii..... hoyiiiiii...." Kaiva kamwana kepa


next door pedu kaive katokura zvekuma 10
years ikoko , ndakabva ndatoziva kuti kari
kubudirwa but hapana akaziva kuti ndian
abudira pamwana uyu. Kakabva kagara
pakati pechivanze pazuva chaipo apa
kwaipisa.Kakabva kapfinya chisero.
Ndakanzwa tsitsi kani kakabva katanga
kudzungudza musoro waiko. Vanhu vaive
vatoungana vachida kunzwa kuti ndian ari
pamwana,baba vakabva vaenda
kunochonjomara pakaiva zvikanzi "ndiwe
ani?" Vakadaro baba kachibva katanga
kuseka zvako zvikanzi "ndini hangu Easter"
ndakabva ndarohwa nehana kani ndokubva
katanga kuseka kana vanhu vakavhunduka
nechiitiko ichi zvikanzi "Easter ko uri kudei
pamwana asiri wemumusha muno"
vakadaro baba zvikanzi "munotomuripa
mwana iyeyu.Ndakafa kare asi andina
kuzorora chamuri kuda kugadzirisa guva
rangu chiiko hamuoni kuti ndine shungu
here kutsemuka kwarakaita ikoko" zvikanzi
"Saka uri kudei?" vakadaro baba zvikanzi
"kuripwaka ndingadei? Munhu ane ruoko
pakufa kwangu ndiye acharipa hake
haaaahaaaa atori munzira kuuya hake
achataura zvese zvaakaita."

Ainzi ari munzira kuuya wacho handina


kumuziva ini ,baba vakabva vambomira
kubvunza vachiti timirire kusvika kwe
munhu wacho aive anzi ari kuuya.
Takamboita nguva takagara kamwana kaya
kangori pazuva paipisa. Pasina nguva
takaona mota yamaiguru
ichisvika.Pavakabuda mumota
ndakavhunduka kuona vakazara shenha
kuita sevaive vaumburuka mumadota.Kana
chigure chaisara pasi zvavaive zvacho.
Vaitobudisa misodzi vakasvika
nekupfugama pakati pevanhu vakatanga
kutaura kuti "makadini zvenyu vana mai
nana baba muchiona ndauya kudai
ndatambura wena , Easter ari kundishaisha
hope ndini ndakamuuraya mushure
mekunge ndaenda kune imwe n'anga
ndichida kupfumiswa achibva ati ndiuraye
munin'ina wangu ndikaita sekudaro zvino
chandakadya chapfuka hamawe mumba
hamuchasi kurarika kana zvidhoma
zvandakapiwa zvakunetsa ini handichazvidi
apa n'anga yacho yakandipa izvozvo
hakuchina yakafa kare andichazivi kuti
ndodini. Kuromba kwakashata
ndazozvionera ini ndaiti ndagona izvo kana
ndaisaziva kuti zvichandipandukira"

Vakazopedza kutaura ndakutoridza mhere


chaiyo shuwa kuuraya amai vangu nekuda
kupfuma ndakarwadziwa kani gogo
vakatanga kundinyararidza. zvikanzi
"mapedza here?" Vakadaro baba
vakatsvukisa maziso zvikanzi "Easter
ndakaita zvekumubaya pagirazi achibva
atofa ndinoti ndiregerereiwo hama
munashe ndakashaisha" vanhu vakatanga
kuita mahon'era hameno vaitaurei.Nguva iyi
ndakanga ndoti stress yekurwadziswa na
Rea zvoti futi mashoko andaive ndanzwa
namaiguru ava akatondikatyamadza
chaiko.Maiguru pavakapedza kutaura
kamwana kaya kakabva katodonha pasi
kachibva kazosimudzwa kuiswa pabvute.
Kakamboita nguva kakadaro kachibva
kazomuka ende kaitova confused kasiri
kuziva zviri kuitika.Maiguru vakabva vatonzi
varipe zvavakaita vachibva vatobhadhara
mari kuna mai vemwana aive abudirwa
uya.Vakazonzi vatenge dombo rekuisa
paguva ramai vachibva vaita sekudaro.
Guva ramama rakatanga kugadzirwa ende
munhu wacho haana kutora nguva. Dombo
raive ratengwa namaiguru rakanzi rinoiswa
mangwana kana pambooma. Guva racho
rakapedzwa kuvakirwa vanhu vachibva
vaenda kunodya. Zvechikafu izvi ndakanga
ndisina moyo nazvo ndikangonwa mvura
chete.

Ndakabva ndaenda ku bedroom


kumbonorara chaiko nekuti musoro wangu
waive worwadza."zvamakafira nhamo nhai
mama" ndakadaro ndakarara misodzi
ikabva yatochururuka , ndakabva ndanzwa
foni yangu ku ringer ndikaona ari Rea.
Ndakadaira ndichingochema zvikanzi
"waswera sei babe wangu wafamba bho
here?" ndakabva ndakwiridzira madzihwa
ndichiti "Ehe" akabva ati"ita data on babe
ndifone ne video call" akabva akata
ndichibva ndaita data on racho haana
kunonoka kufona ne video call yacho
achibva ati "babe wangu uri kuchemei?"
Akadaro Rea ndikapukuta misodzi but haina
kumira kubuda ndikati "mama!!" I said akati
"vaita sei babe" ndikati "vakafira nhamo
amai vangu , handina kuona rudo rwavo"
zvikanzi "sorry babe chirega kuchema tarira
maziso atotsvuka" ndikati "hazvina basa
wamboenda kunoona mainini here?" akati
"mainini vapi?" Ndikati "Annah" akabva ati
"ayewa babe zviya zvakaitika ne mistake
handina kutundira mukati babe"
ndakaramba ndakamutarisa pa video call
ipapo ndikati "Asi wakanakirwa
here?"ndaitonzwa godo chairo akati "please
ngatisiyane nayo nyaya yacho babe" ndikati
"kana usiri kuda kundipindura kata call
yako" akabva ati "handina kunakirwa babe"
ndikati "Saka waichemererei kana wainge
usinganakirwi" akati "mubvunzo wako
babe" ndikati "ndadaira Rea" akati
"zvakangozviita zvega babe i know now une
masimba ekundibvunza zvaunoda hako
nekuda kwekuti ndakakutadzira"

"No , ndiri kungobvunza chete.


Usasandifonere"
"Why?" akadaro ndikati
"Handisi kuda kuona call yako chete"
ndakadaro ndichitokata call yacho ndichibva
ndarara. Kuroom kwairara vana Mona ndiko
kwandakarara. Hapana kuita nguva
yakareba Rea akabva afona futi ndika ignore
aive akuita zvinobhowa. Ndaizomuregerera
kana pfungwa dzangu dzanatsogadzikana.
Call yake yakakata achibva afona futi ndikati
"uri kudeiko ndoda kurara ini. Musoro
wangu uri kutorwadza nekufunga.
Kungofunga kuti waive wakanamirana na
Annah pfungwa dzangu dzototanga
kupishana chaiko" ndakadaro ndichipopota
aitoita kuti ndiwedzere kufungisisa akati
"sorry babe ndanga ndichida kunzwa kuti
wadya here?" Ndikati "Andina nzara ini
unoda ndimedze sei chikafu chacho
Rea.Kana ndichiti ndiri kurwadziwa uri
kuzvitora sedambe handiti"
"Aewa ndinotozvinzwisisa babe ndanga
ndichida kungonzwa kuti wadya here
ndokumbirawo udye"
"Ehoi"

Ndakakata call yacho ndokubva ndarara.


Ndakazomutswa nagogo vachiti ndidye
ndikaramba ndokubva ndaenda kunogeza.
Ndakapedza vanhu vakatanga kubika
chikafu chemanheru vakadya ini ndikamwa
maheu echimera ndokubva ndatorara.
Mangwana makuseni ndakamuka kutsvaira
chivanze vanhu vakazomuka ndatopedza.
Zvekuisa dombo zvakabva zvatoitwa
makuseni iwawo zvikabva zvapera.
Ndakabva ndanwa nababa ndikaenda
kwavaiva tikabva tagara pedu tega.

"Uri kurwara here mwana wababa hindava


wakapora kudai mwanangu" vakadaro baba
ndikati "kufunga mama mafiro avo
andirwadza baba ,ndakatadza kuona rudo
rwamai vangu nekuda kwemumwe munhu"
vakabva vandisimbisa vachiti "hupenyu
mwanangu ndiyo nzira yedu tose."
"Zvakaoma. Saka muri kudzokera nhasi
here?" Vakati "Ehe basa rakandimirira
mberi uko rakawandisa. Ndaida kukuratidza
mama vako vatsva manje havana kuuya"
vakadaro baba ndikati "ndiudzei baba
vanogara kuno here" vakati "eh wozovaona
Harare"
"Oky baba"
Ndakabva ndatodzokera mumba. Nguva
dzakafamba tichibva tadzokera zvedu
Harare. Gogo vakashamisika vachiona
ndichitopaka mota vakati "koiwe hausi
kuenda kune murume here?" Ndikati
"ndichazoenda" vakati "rini? Wakarara
usinaye madeko asi hauna kumusuwa kani
enda kune murume uko atori nenzara
yekuda kutamba newe" kuti ndivaudze kuti
ndakamutsamwira zvaisaita vaizondibvunza
kuti inyaya yei ndokubva ndatoenda kumba
kwacho asi ndakanga ndisingadi kuendako.

*End of chapter*

*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Kiyu3VI1xwp2A
RMEa54pIK

*POOR SHUPIKAI*
*WRITTEN BY*

#0621141536

*CHAPTER 48*

*REA*
Ndakaita sekuti ndiri kuona Annah mutsva
wandisingazivi.Hameno zvandakangonzwa
mumuviri mangu ndakamutarisa kudaro.
Kana junior wangu ndakamunzwa achinatsa
kugwinha chaiko. Annah wacho ndakaona
oti kumu kumu zvihembe zvake kwakutanga
kufamba famba zvake pamberi pangu.
Handina zvandakakwanisa kuita ndaive
ndatopera kare ndave kutomunzwira
mazirudo. Nguva iyi Dee handina kana
kumufunga aive abuda mupfungwa dzangu
ndakungonzwa kuda nezva Annah. Kuti
ndizive chainatsotora nzvimbo ndinganyepa
hapana chandaiziva ini zvose izvi
zvaingondiitira fani.Ndakadzimara
ndananzvira miromo yangu ndaona zasi kwa
Annah kwakasvuurwa kusina kana tubvunzi.
Nekutsvuka kwake ikoko kwakabva kwaita
kuti ndinatse kumunzwira shuga.

Ndakazoona andijambira pamusoro pangu


ndokubva ndakiswa zvandisati
ndakamboitwa. Kana pfungwa dzangu
nguva iyi dzaisatomboshanda.Ndakazoona
ndakutoshandirwa Annah achikurunga
chiuno zvekuti ndakadzamara ndachema
chema ndipo pakabva pasvika Dee.Taive
tisati tatomboita zvinoenda kure but
kusvika kwaakaita zvakaita kuti pfungwa
dzangu dzipembenuke ndikazvibvunza kuti
ndini here ndaive ndakarara na
Annah ,shuwa ndakademba ini kushaya kuti
ndaive ndabatwa neyi chaizvo. Handina
zuva randakanyimwa bonde nemukadzi
wangu. Zvino ndakazvibvunza kuti saka chii
chaitika kwandiri.Ndakazorohwa mbama
yakandionesa nyeredzi ndichida kubata Dee
kuti achiregera zvaiita zvekupisa Annah
nemvura inopisa,zvino ndakagadzirirwa size
yangu yakwana, Mamoyo wacho aive
akatsamwa zvekurevesa. Ayiita zvinhu zvake
chinyararire asina chaari kutaura.Nguva
yakabuda Annah ndakasara ndichibata
musoro wangu.
Ndakanhonga bhurugwa rangu ndokupfeka.
Ndainzwa kuzvinyarira ini kuzvibvunza kuti
ndini Rea chaiye aita zvinonyadzisa kudai
here. Ndiko kunonzi kuedza mukadzi wangu
kwandaive ndaita. Handizivi aizondiregerera
here mukadzi wangu.Ndega ndaiona kuti
ndashaisha hama. Asi ndaive ndane kamwe
kafunga kuti pamwe ndine zvandaive
ndaitwa. Ndakanga ndisiri Rea chaiye
panguva yacho. Nekuti Annah ndakanga
ndisingachamudi asi kungomuona
kwandaita kwakaita ndinzwe kuda kumupa
mazirudo.Asi ndaive ndakafuratira kutoti
nezva Annah andichadi but apa andina
kunzwisisa chakatora nzvimbo ini. Ndakati
Mwari ndiregerereiwo ndatadza. Ndaisada
kurwadzisa mukadzi wangu ini asi ndaive
ndatomurwadzisa kusvika pekupedzisira.
Kuda kuti ndinyengerere aibva andipindura
zvaanoda.Paakaenda kumusha ndaida
kuendawo asi mashoko andakaudziwa
akaita ndidzikame. Kana simba rekuti
ndirambe ndichiita nharo naye ndaisava
naro. Ndakangoti ita zvaunoda mukadzi
wangu. Kana mibvunzo yacho
yandaibvunzwa yaindipedza simba,ndokuti
ita hako zvese babe bvunza zvese zvaunoda
ndinodavira. Ndakadaro ndichitaura ndega.
Yaisavawo mhosva yangu ndakadoedza
kumuonesa kuti handinatse kuziva
zvakaitika kuti ndide Annah panguva iyoyo
asi aisazviterera hake Dee. Ndakangoti
akatsamwa regai adaro ,hazvinakidzi
kusvikira munhu wako akarara nemumwe
munhu , lucky haana kutodonha hake ne bp.

Akadzoka babe wangu kubva kumusha


akasvika ndigere hangu ndichizvinetsa
nepfungwa dzangu. Ndakasimuka
ndokumuchingura but aive mu mood yake
oga. Ndakati ndimumbundirewo asi
ndakabva ndasundirwa kure , achibva
afamba kunogara pasi."urisei babe
wangu,kwanga kurisei kumusha"
ndakabvunzawo nemoyo wose ndokubva
ndadairwa rough,"enda unobvunza Annah
kuti urisei kwete inini" akadaro muromo uri
mumhino. Imba yangu handizivi kuti
yaizonaka here. Yaive yotovava chaiko.
Kufara kwe mukadzi wangu ndiko kufarawo
kwangu zvino mumba makanga musisina
kana mufaro.

"Ndokubikirei babe" ndakabvunza ndichida


kubatawo mapfudzi ake ndichibva
ndanakurirwa ruoko rwangu kure ,"dai uri
mumwe munhu wambomira kundikwidza
bp nekuti ndakakutarisa kudai ndiri
kukuona seimbwa Rea ,imbondisiye
ndizorodze pfungwa dzangu.Handaifunga
kuti murume wangu angandidaro kundirova
nerakagomara.Munhu andinoda nemoyo
wese chaiko ndiri kunzwa kurwadziwa.Uri
kutora advantage yekutambura kwangu
here Rea? Ndaiti zvimwe wakandida
nenhamo yangu uye kundida zvekurevesa
but kana wakandidira kuzorodza pfungwa
dzekufunga Annah,I remember uchiti
waimuda zvekurevesa zvichireva kuti
nanhasi uchiri kungomunzwira shuga.Musi
uya ndaitaura kuti ukasangana na Annah
munogona kudanana magumo azvo morara
mese but zvakabva zvaitaura sekudaro.
Ndaive nekakunyumwa hangu. Hazvina
mhosva Rea ndinoti Mwari ave newe"

Akadaro achisimuka moyo wangu


ukarwadza ndikanomutangadzira mberi
kwake ndikabva ndapfugama
kwakubatanidza maoko angu ndoti.
"Ndiri kukunzwa babe ,but Hapana
chandaiziviwawo hongu zvinonetsa kuti uzvi
believe but zvandiri kutaura ndiri
kurevesa.Moyo wangu uri kurwadza babe
ndiri kuda kuonawo mufaro wako ,
chindiregererawo tingotaurawo hedu
nyaya." Ndakapiwa ziso reruvengo. Kana
ndega ndakaona kuti ndavengwa.Handizivi
kuti nyaya iyi ndaizoi fixer sei kuti tidzokere
pekare pedu nemukadzi wangu. Dee akada
kutaura but haana kukwanisa misodzi chete
ndiyo yakakwanisa kuchururuka achibva
afamba kuenda ku bedroom. Ndakafamba
kuteverawo ikoko ,akabva atanga
kufinyamisa huso hwake achibva atosimuka
pabed akanogara pa chair.

"Ndasuwa kuona smile yako babe"I said


ndichichonjomara ndakabata zvidzva zvake
ndokubva ndamuti ndee ndichingoda
kuonawo nyemwerero chete asi akabva
aramba akashatisa kumeso."ndiri kunzwa
kunga ndiri mujere mumba muno especially
ndakatarisana newe kudai" mashoko aibuda
mumuromo wake aidzimba asi
ndaisakwanisa kumavhika semunhu aive
atadza. Ndaingosiya achitaura zvaanoda
pamwe shungu dzake
dzaipera."ngazvisadaro babe" I said
ndashaiwa nyaya.Uye kushaya
zvekunyengerera." Kuda kutombosuduruka
pano"
"I can't live without you babe, better
undivenge tiri tese" ndakadaro akati "zviri
kundirwadza" ndikati "I know babe but try
kukanganwa nezvazvo" ndakadaro
ndichitaura zvinyoro nyoro ,ko paida kuita
hasha here ipapa. Munhu wacho aitoda
kutodzikamira chaiko."why wakarega
kundiudza pa call kuti Annah asvika but
wakabva wandikatira Rea.Usafunga uchiti
zvinokasira kubuda mupfudzwa dzangu ,no
ndine bundu risingaiti rinotoda someone
anoripedza" ndakada kunzwa hasha but
ndakakasira kuzvidzora. Kana ari mashoko
ekuda kundirwadzisa aive akuzvinyanya.
"Wabhoikanaka. Kuzoti ukandiona ndinaye
someone wacho ungatofenda zvee.
Dzikamai baba" ndakamutarisa hangu
achirutsa mashoko kudaro. Hapana
zvandakakwanisa kuita
hangu ,ndakazongoti "babe , without you
am nothing , with you am
something,ndinodada newe mukadzi
wangu.I can't repeat the same mistake
again." Ndakadaro achibva atosimuka
kwakuenda.

Ndaive ndaneta zvino. Kunyengerera


kwacho ndaive ndabvira kare ,ndakangoti
regai ndisiyane nazvo,aizondiregerera
panenge onzwa kuda pacho. Ko ndaigodii
nhai iye airamba akaomesa gotsi.
Kudoedzawo kumuudza zvinotapira but
nothing change, ndakabva ndazvambarara
pabed. Iye akanga ayenda ku room yaive
akamborara day raita nyakanyaka. Kutaura
chokwadi moyo wangu waitsva,kunzwa
kupiswa zvakanyanya. Apa Dee wacho
aisada kunyengereka hake. Ndakarara
ndichingomufunga chete. Ndaizonyanya
kurwadziwa nekuti aingochema panenge
angoda hake. Mangwana kuseni ndakamuka
ndokubva ndaenda kunogeza. Ndakapedza
ndokuenda ku kitchen ndikamuona
akagarara akabata shaya.Ndakaona
kufungisisa kwake akagara kudaro.Zvese
izvozvo zvichikonzerwa neni.Ndakangoti
ndakaitei Jehovah.Ndaive ndakamuvimbisa
kuti andife ndakakurwadzisa.Asi ndaive
ndamurova nerakagomara.

"Morning babe" ndakadaro ndofamba


kuenda paari. Haana kana kuvhunduka
akaramba akabata shaya.Ndakaita nguva
ndakamutarisa , ndaive ndasuwa kuona
smile yake.Ndaingozvituka kasingaperi
mumoyo mangu."morning babe" ndakadaro
futi ndokubva anditarisa,ende ndakabva
ndanzwa kuda kumupa kiss,but nekuda
kweku tsamwa kwaive akaita ndaigona
kungopiwa mucheka wembama."ndiribho
Rea,musoro wangu uri kurwadza." Akadaro
akapora kana hasha haana kuita "sorry
babe,ndokugadzirirei chokudya" ndakadaro
ndonyengerera paya akati "Hapana"
akadaro ndikati "unoonda babe rega
ndigadzire food" akabva aramba ndikabva
ndatofunga kunotenga ma fruits aanoda
acho. Ndakanzwa kuda kusiya ndamuudza
zvaiva pamoyo pangu.

"Babe , ndinokuda nemoyo wese,handidi


kukuruza babe ,ndasuwa rudo rwako
mukadzi wangu ,chambobuda babe ndiri
kudzoka manje manje" ndakadaro akati
"umufarise kwauri kuenda ikoko"
ndakapera simba kani.Yaisava problem yake
but yaiva problem yangu ndakamurwadzisa
so anenge achingotaura zvaada. Handina
kutsamwa ndikadaira zvakanaka ndichiti
"no ,ndiri kunotenga ma fruits handisi
kugarisako" haana kuzodaira hake ndakabva
ndabuda ndokuenda. Ndakananga straight
ku town ndokutenga watch yake
yaidhura ,dress raive rakafanana ne watch
koti necklace yacho plus bhutsu. Zvinhu
izvozvo zvaka coster mari yakawanda nekuti
zvaive zvakanaka.Zvaive zvekuda
kunyengerera kuti ndiregererwe. Ndapedza
kutenga ndakabva ndatenga ma fruits acho
ndokubva ndadzokera kumba.

Ndakasvika kumba ndokubva ndanotsveta


zvinhu zvake ku bedroom zvandaive
ndatenga ndokunoisa ma fruits mu
fridge.Iye ndakatoziva kuti ari ku room
kwake ikoko kwaasingadi kubva ,ku
bedroom aive asingachadi
kugarako.Handizive neyi aidaro.Ndakaenda
kwaaiva kwacho ndikamuwana akarara
hake,Asi aive asina kurara hope."ndadzoka
babe" ndakadaro ndichigara pasi achibva ati
"ma fruits acho aripi?" Ndakabva
ndasimuka ndokunomutorera.Ndakatora
ma apple maviri nema orange maviri
ndokuisa mu plate ndikaenda
nazvo.Ndakatanga kumenya ma orange aya
ndichibvisa makanda , ndapedza
ndakamatsemura kuita zvimbadzu zvidiki
ndokutanga kumudyisa.Haana kuramba
hake aitoshama ndichimupa kudaro.Amana
runonzi rudo ndaizama kunyengerera
mudiwa wangu kuti adzore moyo wake.

Ndadaro ndakabva ndaisa ka orange


pamuromo wangu ndokubva ndaswededza
pane wake ndichida kumudyisa nemuromo
achibva atora akadya.Ende haana kumboda
kupopota aive akatodzikamira ndikabva
ndatoti zvangu zvaita.Ipapo ndaive
ndotonzwa kuda kumukisa ndichibva
ndatomunama ne kiss achibva
adzorera.Ukuwo ndaive ndonzwa kuti
chikara chandishatira kunzwa kutoda
mukadzi wangu ndokubva ndakumura
bhurugwa rangu.Pandaive ndoda
kumurarisa pamubhedha ndakabva ndanzi
dzvi-i junior wangu akatanga
kudhonzwa.Apa waive wakamira kuti twii
zvekuti wakadzamara warara nekuti
ndaikweiwa kani apa
zvairwadza.Ndakashaya kuti zvazvipi zvee
izvi.Kana chikara chiya chandainzwa
chakabva chatiza panguva iyi.

"Babe...babe... usadaro kani babe wangu"


ndakadaro ndochema chema asi haana
kundinzwa,ndaive ndoshaya kuti apindwa
neiko chaizvo.Zvataive taiita zvinhu zvedu
tichiwirirana wani tichidyisana zvakanaka
zvino chii chaive chashata.Pandakazoridza
mhere yekurwadziwa akabva andisiya
ndikanzwa junior wangu uchirwadza
kani."ndiko kudii nhai Dee, wapindwa neyi
chaizvo" ndakadaro ndodedera akati "kuti
idzikame" ndakapererwa kani ndokuramba
ndakamutarisa ndichishaya kuziva kuti
ndiye Dee uya here? Hasha dzacho aive
odziwanza ndikati "hausati wakuzvinyanya
here?" Ndakadaro ndatove nekakutsamwa ,
Asi munhu wacho andaitsamwira kwaiva
kupedza nguva yangu."kunyanya
chii?iwewe ndiwe usingazvinyanyi here?"
Mhinduro dzacho dzaigura mabhonzo angu
ndikati "ko ukandikuvadza kei?" zvikanzi
"ndizvo zvandaida kutoita" Aidaira zvaada
kani ndikati "nanhasi hasha dzacho
hadzisati dzapera here?" Zvikanzi
"dzichipera neyi iwe uchiramba
uchindinzwisa hasha"ndikati "ndituke hako
dzipere" zvikanzi "uri ngoko kana uchiziva
mabasa engok...." Ndakanzwa hasha zvekuti
ndaida kumbomupa mbama imwe chete iyi
but ndakabva ndazvidzora.",handisi kuda
kunetsana newe Dee,kana usingadi kutaura
neni better uti hausi kuda kutaura neni
pane kundituka" akati "better mashoko
anopfuura" akadaro ndikati "unoziva ndiri
murume wako here?" Akatanga kuseka
zvekusvotesa zvese zvaive oita
zvaindinzwisa hasha.Kurova mukadzi
ndaisada but shamhu yake ndaiva nayo
yaiva mubhurugwa umu ndokubva
ndamubata ndikatanga
kumukisa,akatovhiringika ndichibva
ndazonzwa ndanamwa chibhakera
padama.Kana zino rangu rakadairira
kurwadza chaiko."uri kumbotembei
chaizvo" ndakadaro ndichitoshaya kuti chii
chiri kumboitika" akati "nxa wabatwa kaa
nemweya wehubhinya uri muroyi" akadaro
achindipushira panze achibva akiya door
rake.

Handiziviwo kuti hasha dzangu dzakanga


dzakubvepi. Tsvee kunyengerera mukadzi
wangu ndakuti matamata kunetsana
naye.Ah zvinhu zvacho zvakanga
zvotonditemesawo musoro ndokubva
ndamboenda panze kunofurwa
nemhepo.Ndaive ndonzwa kutsva ndikabva
ndatorara pa loan makumbo ari
mudenga.Ndini ndakatadza asi ndaive
ndomuitira hasha ipapa
ndakazvishoora.Imba yangu yakanga
yapinda gonye.Zvino zvikachiti ini wacho
ndoita hasha iye oitawo hasha hapana kana
chatingambogadzira.Ndazviudza kuti chero
akandituka sei ndinofana kudzikama.Dzichiri
hasha dzekurwadziwa so zvaitomboda
nguva kuti akanganwe
nezvazvo.Ndakadzokera mumba
ndikananga kwaaive ndikanzwa achinamata
achichema,moyo wangu wakarwadza
kani.Akaita nguva achinamata.

*KIMBERLY*

"Nyaya dzevanhu vasuwana unongozivawo


kuti hadziperi Dudu" ndakadaro ndichigara
paside naye achibva ati "Dudu ndian?"
Akadaro ndokubva ndaseka ndichiti "sorry
baba Dee" zvikanzi "Saka vanga varisei
mama" ndikati "vanga vari right havo vanga
vachikufarisa" akati "hoo, ndanga
ndakusuwa ndaive
ndakangokugarira ,kudoringa nzira ndichiti
zvimwe ndichaona mota youya but ndaive
ndakagarira hangu guyo sembwa" akadaro
Dudu ndikati "nyaya dzazonakidza" akabva
ati "haana kumbo kicker here Dee" I smiled
ndakamutarisa achibata dumbu
rangu ,sezvineiwo kakabva kaita manyawi
kamunhu kacho kwakutanga ku kicker Dudu
akasekerera.

Zvaitomunakidza,akazobvisa ruoko rwake


padumbu rangu mushure mekunge kamira
ku kicker."ndoda kunoroora kumba kwenyu
usati wazvara mhosva dzacho
dzingazotoangarira kuwanda."ndakanzwa
kufara kuti Dudu atoriwo nepfungwa
yekuroora ndikati "woda kunondiroora
rin?" Ndakabvunza akati "ndichaona babe
ndoda kutanga ndataurawo nehama
dzangu.Manje dad vari kure
ndichangovaudza pafoni ,ndiri kufunga
kuenda kwa tete mangwana ndinotaura
navo ndivo vangatokwanisa
kundibatsira."akadaro ndikati "unoenda
wega here?"akati "tinoenda tese ndinoda
kuti vakuonewo"

Ndabva ndanobika sadza aive atobika


nyama hake, ndapedza ndakabva
ndapakura tikabva tatanga hedu
kudya.Takapedza ndokubva tanorara rudo
ruchiita kubvira chaiko. Dudu akanga ane
rudo veduwe ndainge ndichamboziva kuti
ndiye Dudu uya ekusada kundiona. Takarara
tichipanana rudo atei kuchene zvako.
Ndakamuka kuita basa rangu ndokubva
ndazogeza. Pandaive ndakugadzira
breakfast Dudu akanga
akugezawo.Achipedza takabva
tadya,tapedza akabva ati tinochinja hembe
tiende kwa tete tikabva tanochinja.
Ndakangopfeka mapfekero angu emazuva
ose zvikanzi "hauna hembe yakadzikama
here babe" akadaro Dudu ndikati "handina
ko yakashatei" akati "haina kushata but
kwatiri kuenda uko tete vacho vanotaurisa"
akadaro ndikati "Saka ndodini" akati "hauna
zambiya here?" Ndikati "handina ini"akabva
ati ndigotenga zambiya racho ndigosvika
ndakamonera handina kuramba ndakabva
ndabvuma tichibva taenda.Ndakazoona
paitengeswa mazambiya ndokubva
ndatenga kwakutombodzidzira kusunga
zambiya racho.Hapana kana
chandaitombogona pakusunga zambiya
ndikati "huya undibatsirewo baba Dee"
ende aibva asekerera ndikamuti baba Dee.
Kuda kunzi baba kwacho aive
okunyanya.Akadzika mumota achibva auya
kundisunga zvikatobuda
zvakanaka."kupedza gore uchiita chinhu
chimwe" ndakabva ndaseka ndichiti
"thanks" akabva amutsa mota tikaenda.
Hatina kuzotora nguva takange tasvika
tikawana tete vacho vakagara pasofa
vachitokotsira.

"Vepano" akadaro Dudu vachibva


vavhunduka vakamuka vakatsukuta maziso
avo "hezvo ,ndiwe mwana wehanzvadzi
yangu nhasi wandifungawo kani kubva wati
zii kunga usiko hako" vakadaro
vachishekana maoko ndikabva
ndazovamhoresawo but kaziso kavo
handina kukapiwa mushe."ndiriko tete
makadii henyu" akadaro Dudu zvikanzi
"ndinofara hangu kwakadii kumba"
vakadaro ini ndaive ndakanyarara
ndakamirira kuti andi introduce kwavari
zvikanzi "kuribho ,uyu muroora wenyu uyu
tete. Babe ava ndivo tete vedu" akadaro
Dudu, tete vacho vachibva vabudisa ziso but
vakazokasira kuridzora ndikati "makadii
zvenyu tete" ndakadaro ndichitonyara
hangu zvikanzi "ndinotamba hangu.
Mafunga kurorwa kwa Cheza here?" She
said ndikati "Ehe" vakati "hoo" vakadaro
vachienda ku kitchen ndikasara ndichitarisa
Dudu akati "vanotaurisa babe vanotoda
kujaira" ndakaramba ndakanyarara
vachibva vauya ne drink nechingwa but
ndaive ndakaguta tikangodyawo
zvechirango. Zvakanga zvisingaiti kuti
tirambe chikafu chavo isu tashanya pamba
pavo.

Takadya tikasiya ndakabva ndarongedza


mandiro ndikavaudza kuti ndichambosuka
mandiro ,tete nemwana wehanzvadzi yavo
vachibva vasara vechitaura nyaya. Andizivi
chakaitawo kuti ndide kuterera nyaya dzavo
ndikabva ndamira pandaisaonekwa
ndikanzwa kuti "nhaiwe Duduzile hatidi
mahure isu munhu kwaye here munhu
wako uyu" vakadaro tete zvikanzi "ari right
tete kana muchiti hamudi mahure muri
kurevei? Chero ndikatora hure handi
rinenge riri rangu here imimi munenge
muchirwadziwa neyi."

Akadaro Dudu zvikanzi "ndiri kungotaurawo


hangu mwana wehanzvadzi yangu vana
vemazuvano vangwarisa ava kutokutyira
kuti mangwana unozogona kuchema kana
ukatora hure" zvikanzi "zvamakutaura izvo
zvava zvimwe tete sandizvo zvandafambira
pano. Ndoda kufambisa nyaya dzeroora
nemi muchindibatsira. Zvakawanda siyanai
nazvo" handina kuzoda kuramba
ndichiterera conversation ye vaviri ava.
Saka zvaireva kuti tete vaive vandiona
sehure kaa ,yeah haisi mhosva yavo
ndaitombova hure but ndakazvisiya izvo
nekuti hazvibhadhari anopera panonaka
ndiwe ende hauna chauno gainer but
unogona kuzotochema nechirwere
cheshuramatongo.
"Babe ,hausati wapedza here ita tiende"
ndakavhunduka because ndaive ndatoita
zvekumira ndokubva ndazopedzisa kusuka
ndokubva taoneka tete tikadzokera kumba
kwedu. Handina kuda kumboratidza Dudu
kuti ndanzwa conversation yavo
ndakangozviti hazvina basa izvo.

*End of chapter 48*

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/Hn2HLGjtKZeFs
QJi80o7gB
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 49*
*ANNAH*

Ndakarwadziwa kani,makumbo angu aipisa


chaizvo.Ndainzwa zvichidairira nepa moyo
pangu.Shuwa mukadzi wa Rea igamba gadzi
chairo haana kana matyira.Zvaive
atondiremadza nhai.Ndakamhanya ndisina
kana hembe ko paimirika here
pakadaro.Ndakazopfeka hembe ndaona ma
light emota mberi kwangu.

Chandakatanga kufunga nguva iyi imari


yangu yekukwira mota.Ndakatarisa
muhomwe ye short yangu ndokuona
musina mari.Ndakaedza kuzunza kashort
kacho ikati wakandiisa pano here.Zvaitoreva
kuti yaive yadonha ndichimhanya.Apa
kwakanga kusina mwedzi muchena zvekuti
ndingaitsvaga payadonhera pacho.Zvino
ndaizokwira neiko mota yacho.Kuda zvinhu
uku kwaive kwandiparira.Ndaive ndati
ndapedzera Rea asi kana ndini
ndakazopedzerwa nemukadzi wacho.

Ndainge ndazorawo zvee mushonga wekuti


Rea paanondiona anobva atanga
kudzungaira, mushonga wacho
ndakaupiwawo nekamwe kasekuru kanoita
zvemushonga.Ndiko kakaona nemushonga
yaiko kuti mukadzi wa Rea haapo ndikati
zvangu zvaita.Rea ndaimuda ini ndainge
ndisina kubvira ndamuramba but nekuda
zvinhu ndakabva ndamhanya
kuroorwa.Amai vacho ndivo vakaita ndiite
zvese izvi.Vaisada kana kundiona zvavo
ndikatoona ndega kuti hapana rugare
ndaisazombogarisana navo zvakanaka.Zvino
ndaisaziva kuti kwandiri kunoroorwa
kwacho ndiko kune nhamo
yakanyanya.Murume wangu aive
dzubvurandi chaiye,kuzoti kurova zvako
aibika kani aisambojaidza.Ndakange
ndatindiwara nekurohwa dzimara
ndisingachanzwi kurwadziwa.Murume
wangu aidhakwa zvinotobhowa kani mimba
yandaiva nayo yakazobva nekuda
kwekurohwa.

Ndakapotsa padiki ndafa ini nemimba


iyoyo.Kubva kwayakaita ndakabva
ndatotuta zvima bag zvangu nekuti
ndakatoona kuti pano ndingafira mumaoko
aCleo.Problem ndini ndakamhanya kuda
kuroorwa naye ndisati ndamudzidza hunhu
hwake.Takangodanana zve 3 weeks chete
ndokubva atondiroora.Ipapo hapana
chandaiona cz rudo aindipa zvakanaka
ndisingambooni chakashata.Zvokwadi
kumirira nguva kwakanaka pane kuda
kumhanyira kuda kuita zvinhu nguva isati
yakwana.Rea aive akati anondida
kunyangwe zviome sei achiti
achazogadzirisa kusadiwa kwandaive
ndaitwa namai vake ini nekuda zvinhu
ndikati bodo handichatodi.

Zvakaoma kani ,ndaive ndapererwa


nekushaya mari kwandakanga
ndaita ,ndakaboira maziso angu murima
imomo ndichishaya kuti
ndodini.Ndakafamba kunokwira mota tsoka
dzangu dzichivhutira.Ndaive ndapiwa size
yangu yakwana.Ipapo ndakabva ndavenga
zvekushandisa mushonga.Ndakati
handichafi ndakazviita.Ndichifamba kudaro
pakabva pasvika mota yakandibvunza kuti
ndiri kuenda kupi ndikamboramba
ndakanyarara sezvo mari yacho ndaive
ndisina."nhai sister muri kuenda kupi
apa.Ko kupfeka rudziiko kwamakaita moda
kuti titarisepi." Akadaro murume aiva
mumota umu ndokubva ndazvitarisa
ndokuona zamo riri panze ndikabva
ndanyara.Ndaive ndisina kumbozviongorora
kuti ndapfeka zvakanaka here.Ndakadzisa
kahembe kacho ndokubva kagumira pasi
pemazamo.Ko handi ndaive ndapfeka
zvinoita kuti Rea anzwe kuda."pinda tiende"
akadaro murume uya ndokubva
ndapinda.Maiva nevarume vaviri mumota
umu.

Mota yakamutswa ndokubva


taenda.Ndaingozvitongesa ndega kuti
ndovapei ini ndisina mari ,ndakazviudza kuti
ndaizochema chema kuti vandinzwirewo
tsitsi.Mumota umu mairidzwa music
yainakidza kwazvo,Asi nekuda
kwemarwadzo angu ndaisanyanya kuiterera.

Ndakasvika pandaiburukira ndokubva


ndadzika zvikanzi "Mari yangu sister"
ndakatanga kubwaira paya ndokubva
ndangotuzura."handina mari mukoma mari
yandaive nayo yadonha mondiregererawo"
ndakadaro ndonzwisa tsitsi zvikanzi
"yadonha? Chirudziiko nhai sisi uye muri
kumbobvepi husiku huno munhu
wemusikana.Kubva kunohuraka"
ndakapererwa kani ndikashaya zvekudaira
ndokuramba ndiri zii."Saka wati wotipei tiri
kuda marika isu wadii kutaura kuti hauna
mari" akadaro ndikati "sorry zvenyu" umwe
wacho achibva ati "hande mhani Bee kuda
mari here" zvikanzi "babe ndarida iri"
ndakanzwa kutovenga munhu rume zvangu
nekuti zvandaiva ndasangana nazvo zvikuru.

"Ndipo number babe" akadaro ini


ndokumupa number dziya.Akabva ayenda
ndokubva ndananga kumba kweshamwari
yangu nekuti kumba kwaisambosvikika
zvako.Ndakasvika akuda kutorara ndokubva
ati "kwakanaka here unofamba husiku
hwakadai" akadaro ndokubva ndaramba
ndichifamba kuenda ku kuenda kunogara
pasofa.Aive akaroorwawo murume wacho
ari kunze kwenyika nebasa rake.Aingogara
nemwana wake chete."pakaipa kani
makumbo angu ari kurwadza" ndakadaro
ndichimatarisa ,aive asati abuda
madukuswa but marwadzo akabva
awedzera nekuda kwekugara kwandaive
ndaita.Moyo wangu ndainzwa uchienda
kure chaiko.

"Ko waitwa sei nhaiwe" akabvunza ndikati


"ndanga ndaenda kumba kwa Rea"
ndakadaro aimuziva Rea wacho akati
"kunodii handi makarambana kare here"
akadaro ndikati "Eh but ndichiri
kumuda,manje ndasvikirwa ne mukadzi
wake mai mwana ndapiswa makumbo angu
nemvura inopisa.Huma yangu iri kuita
seyatsemuka.Ndarohwerwa kumadziro uhm
mukadzi akaoma iyeye ndapfidza shaa
ndaiti ndaramba Cleo ndidzokerane na Rea
manje masambo achinja wena" akabva
ambonyarara achibva azoti "koiwe
ungarambira murume izvozvo kuda
kudzokerana na ex wako hauoni kuti
hazviite here.Kufunga kwako waiti
angamirira Annah akaroorwa hake
achitadza kutsvaga musikana
wekuroora.Mai mwana dai
makangoshingirira kugara na Cleo uyoyo
imba ndeye kushingirira nerimwe zuva
achachinja.Zvagara dzimba ndozvadziri
hadzisi nyore idzi.unoti ini handinawo
zvinondinetsa here andakadai kugara
mumba mangu nemwana wangu nditori
nazvo zvinondinetsa but ndinoshinga
zvakadaro.Imbofunga kuti murume wangu
ave nemakore mangani asingadzoki
kumba,atove nemaviri ariko kunze
kwenyika uko pamwe atove neumwe
mukadzi ikoko asi ndinongoti hameno ikoko
kana kwashata ikoko achadzoka ko pane
chisingaperi here.nhamo dzedu dzinosiyana
sahwira asi shinga zvinoita,Asi washaisha
kuenda kumba kwa Rea uko izvozvi
warwadzisa mukadzi wake imbofunga kana
uriwe wazviitirwa zvawaita izvi unonzwa sei?
Ngative nemoyo tisaita hutsinye dea siyana
nemurume wemunhu udzokere kuna Cleo
wako uyo."

Mashoko ake akandibata bata


wena,ndaigodii ini ndaimuda Rea
wacho.Zvisinei ndakangoti ndisiyane naye
"kuya handidzokeri hangu dai ndofira
mumaoko ake" ndakadaro because Cleo
airova veduwe ende aisambokunzwira
tsitsi.Akundirova zviya aisambotarisa kuti
ari kurova pai aingorova chero paada."Saka
unoda kuenda kupi kwacho" akabvunza
ndikati "ndotomuka ndichienda kumba
kwedu but kwakatoomawo futi mama vari
kungoti dzoka kumurume wako"

"Hoo ,ngatirare hedu ndakutonzwa hope"


takabva taenda ku bedroom kwake
ndikamuti andipe machira ndiwaridze pasi
ndichibva ndatorara ipapo. Kunze kuchiedza
ndakamuka kugeza kumeso ndikaona
makumbo angu akazvimba achibuda
mvura.Ndapedza kugeza ndakabva
ndaoneka sahwira wangu ndokubva
ndaenda kumba.Ndakasvika mama
vakatsamwa zvisingaiti ndikashaya
pekutangira kuvaudza kuti ndaivepi.

"Wakuhura kaa iwewe wanga uri kupi


husiku hwese." Vakadaro mama vakabata
mutsvairo ndikati "kumba kweshamwari
yangu" ndakadaro ndichinanga kuroom
kwangu ndisingadi kubvunzwa
zvakawanda.Ndakavaona votevera
ndakabhoikana zvikanzi "ita utore mabag
ako uyende" ndikati "kuenda kupi kwacho"
ndakadaro vakati "kumurume wako hatigari
nemunhu anongotesvuka tesvuka ndizvo
zvawakabvira kumurume kuda kuzohura ita
uyende zvako handidi kunetsana newe"
"Nhai mama moda ndidzokere kuna Cleo
wamunoziva kuti anorova here moda kuti
ndiurawe.Sei musingandinzwiri tsitsi
ndakapotsa ndafa nemimba nekuda kwake
kana musingachadi nezvangu taurai
zvakanaka." ndakarwadziwa kani kunzi
dzokera kumba kwa Cleo ini ndaive
ndisingachadi nezvake ini."unowanza
pamuromo ndosaka uchirohwa, mwana
akangwara anozvininipisa kumurume wake
kunyangwe ukatukwa zvakadii mupindure
nehunyoro kana dziri hasha dzake dzinobva
dzapera.hanzi mhinduro nyoro inodzora
kutsamwa unotadza neyi kudaro ,Hauna
kurambwa iwewe wakatiza zvemusoro
wako ita uyende ndapedza newe"

Ndakarongedza misodzi iri pamatama


ndokubva ndabuda ndisina
kuoneka.Ndakasvika Cleo asiriko
ndikarongedza hembe dzangu, simba
rekubika ndakarishaiwa.Mama
vaindimakidza havo kuti ndidzokere kuna
Cleo asi moyo wangu waisada.Ndakagara
nguva yakareba Cleo asati auya ndichibva
ndatorara.Ndakati ndakubatirwa nehope
ndakabva ndanzwa noise ndokubva
ndamuka kugara pasi.

Yaive noise yevanhu vaviri ndikafunga kuti


Cleo auya neshamwari yake. Ndakabva
ndaita light on ndokubva ndaenda
kwavaiva.Ndakapera simba ndichiona Cleo
aine mumwe mukadzi vachimwa
doro.Zvokwadi murume aihura zvinosemesa
chaiko.

"Argh ,koiwe uri pano hako. wadzokerei


wakadii kuenda zvachose" akadaro Cleo
ndikatanga kuchema ndokugumbata maoko
angu. Mukadzi aiva na Cleo aitova busy
kudita doro asiri kumbogaya zvakawanda.
Cleo handina kumupindura ndakabva
ndatoenda ku bedroom ndikasvikogara pasi
ndichizvinetsa nepfungwa dzangu. Nguva
dzakafamba Cleo angori ku dining
nemukadzi uya ndikazonzwa noise yekuita
bonde ndikabva ndarwadziwa kani.
Zvekurara nemurume wemunhu
zvinonakidza uriwe uchizviita asi kana
wozviitirwa unonzwa kusvotwa chaiko.
Ndakazonzwa ruzha rwanyarara ndikaziva
kuti vapedza apa gadzi raive ne noise shem
zvekuti ndakadzimara ndaisa ma earphones
munzeve.

Hapana zvandaikwanisa kuita nekuti Cleo


munhu asingatode kuvhiringwa zvinhu
zvake ende haadi kuudzirwa
zvekuita.Pandainge ndoda kuvata
ndakanzwa Cleo akukweva bhutsu kuuya ku
bedroom,zvichireva kuti gadzi racho raive
raenda."Annah ,ndinoda kukurova une
chihure chapata fani ,wakanditiza panapa
but nhasi uno wadzoka wanga wagutaka
kukwirwa ukati ndichidzokera kuna Cleo
asingafungi." Akadaro achangopinda mu
bedroom ndikatanga kudedera.Ndakanga
ndatoziva kuti chachaya,akabva abvisa
bhutsu dzake achibva akumura hembe
yekumusoro achibva andidhonza ruoko
ndikawira pa chest pake akati "waive uripi
hee ,uri hure remunhu wakajaidzwa iwe
ndoda kuchipedza chihure chako." Akabva
avhomora bhande raiva pabhurugwa rake
raive akapfeka achibva atanga
kundizvambura.

Ndakatanga ndichachema dzimara ndati zii


ndakungogomera chete.Apa aindirova
nemakumbo angu aive akazara madukuswa
ekupiswa. Cleo akazondisiya nyama
dzorwadza chaiko. Ndakademba
chandakazvarirwa ini , hupenyu hwacho
hwaive hondiremera.Imba yacho yakanga
yovava chaiko. Cleo achipedza kundirova
akabva azvambarara pamubhedha achibva
atorara. Ndakakwirawo ndichiita
zvekunanaira ndokubva ndatorara.
Makuseni ndakamutswa nembama
ndichinzi muka ubike ndikabva
ndanobika,ndaive ndadzoka muchitokisi ini
ndaisava nerugare kana ndina Cleo uyu.

Ndapedza kubika ndakamudana achibva


auya kudya akatanga kufinyamisa chiso
zvikanzi "haugoni kubika futi ungandidyisa
tsvina.Wabika chikafu changu uchifunga
zvikomba zvako kaa nxaa" akasimuka
achibva andikwapaidza mbama ndikadonha
pasi. Nezva Cleo ndaive ndaneta nazvo ini
ndakademba kufa. Nezvaari Cleo wacho
hambofitwi nezvito zvake.Akaenda ku
bedroom achibva achinja hembe dzake
dzekubasa achibva atoenda. Ndakasara
ndokupfeka trouse rangu raivhara maronda
aiva mumakumbo ndokubva ndapfeka
hembe yaiva nemaoko marefu ndichivhara
mazvimbiswa ekurohwa ndikatora mari
ndakaenda kumusika ndikanotenga
mushonga wemakonzo.

Ndakadzoka kumba ndokubva ndatora pen


nebepa ndokutanga kunyora tsamba.

*Mudiwa wangu Cleo ndaikuda nemoyo


wese asi ndakundikana kuti ndirambe
ndinewe. Ndaona zvakanaka kuti ndiende
hangu kusingadzokwi usare uchigarika uve
ne hupenyu hwakanaka,ndakamboshinga
kuda kugara asi hauchinje Cleo ,zvepasi
pano ndazvitadza ini ndakuzorodza nyama
dzangu ndinokumbirawo undivigewo
zvakanaka.*

Ndakabva ndaisa bepa racho pamubhedha


paanokasira kuona ndokubva ndachera
mvura yangu ndikaenda ku bathroom
ndokudududza mushonga wemakonzo
ndikanwa mvura. Kufa ndakaona kuri nane
pane kuti ndiswere ndichitambudzwa hangu
ndichionekwa sechitoyi. Kuda kuti kumba
kwedu kwacho kwaisava nerugare
ndaingonzi dzoka kumurume ndaive
ndaneta nazvo ini.Ndakatanga kunzwa
mudumbu mangu kumonya muchiita
semunochekwa chekwa ndikatanga
kushanyarika pasi ndakabata mudumbu
mangu.Ndakaita nguva ndichirwadziwa
chaizvo ndokuzotanga kunzwa kupera
simba mweya uchienda kure.Ndakatanga
kugwinha makumbo angu zvakasimba
ndokubva ndazongoti zii ndakadaro.

*DELIVERANCE*

Zvaisava nyore kuti ndingoregerera


Rea,Paindinyengerera pacho ndaibva
ndanatsa kunzwa bundu racho richiwedzera
kukura. Ndainge ndakamuudza kuti
ambondipawo nguva yangu ndega
ndizorodze pfungwa dzangu asi iye airamba
achindinetsa ndizvo zvaizoita nditaure
zvandinoda. Ndaisatodawo kudaro asi
shungu dzandaive nadzo ndidzo
dzaindituma kudaro.Murume wangu
ndaimuda kunyangwe aiva andirwadzisa
hake.Pain yacho handingakwanisi
kuitsanangura ,ndaitombofunga kuti handisi
munhu panyika pano.

Ndaive ndongonamata ndichichema hangu


ndichiti mwari itai kuda kwenyu,ndaizama
kuda kuzvibvisa mupfungwa dzangu asi
ndaibva ndatonyanya kufunga nezvazvo.
Ndakarara misodzi iri pamatama ndokubva
ndatobatirwa nehope
ndakadaro.Pandakarara ipapo stress
yakabva yatomboita shoma. Ndakazomuka
ndonzwa kubatwa matama angu ndikabva
ndapepuka ndikasvinura maziso angu
ndikaona ari Rea.Hapana zvandakataura
ndakaramba ndakanyarara.Akatanga
kundipukuta misodzi yaive yaomera
pamatama angu.

Apedza akabva abuda ndikasara ndichitarisa


nguva pafoni pangu ndikaona nguva
dzichiripo ndokubva ndanotora mvura mu
fridge ndikadzokera kuroom kwangu
ndikatanga kumwa mvura.

Rea akauya akabata bepa randaisaziva kuti


raiva neyi.Akabva abata maoko angu akati
"Ndokumbirawo kutaura newe" akadaro
ndokubva ndaramba ndakanyarara achibva
anatsa kunditarisa kubva kumusoro kusvika
kutsoka "babe wangu makumbo ako
azvimba neyi" akadaro ndichibva ndatarisa
makumbo angu ndikaona zveshuwa
akazvimba. Handina kuziva kuti chii chaive
chazvimbisa makumbo angu aive akaita
mazitanda. "Une pari kurwadza here"
akabvunza ndokubva ndadzungudza
musoro akati "wakundityisa babe
wakambozviita here?" Akadaro
achindinzwira tsitsi ndikadzungudza musoro
ndokubva atobaya foni yake akataura
zvaakataura pafon ipapo akapedza. Aive
ongobata makumbo angu zvikanzi
"ndafonera doctor" ndikati "hoo"
ndakadaro ndichidzokera kurara.

Hapana kuita nguva doctor vacho vakabva


vauya vakaita ma tests avakaita vakati
kuzvimba kwemakumbo kufunga kwandiri
kuita."ko rutsa rutsa chingavawo chirwere
rudzii" akadaro Rea zvikanzi "nganoita weti"
ndakanoita weti yacho muchikaba
ndichibva ndadzoka
ndikavapa.Ndakazonzwa zvonzi ndine
nhumbu ndakavhunduka kani hapana kana
chandaimboziva ini ndaingoti pamwe
kurutsawo zvenhumbu handina kana
kumbozvifungira.Ndakaona mufaro pachiso
cha Rea paakanzwa kuti ndine
nhumbu.Doctor vakabva vati ndisanyanye
kufungisisa zvinogona kubvisa nhumbu
ndikangoti ehoi vachibva vaenda.

"Babe wangu ndinoti sorry zvakare pane


zvawakaona ,regererawo murume wako
babe ndatambura ini ndoda kufara newe
babe ndinozviziva kuti zviri kukurwadza
babe ndiri kutozvinzwisisa chirega
kufungisisa tarira makumbo azvimba hanzi
kufunga kwauri kuita unokuvadza mwana
babe ndoda mwana akure
zvakanaka ,ndokuitirei babe
undiregererewo." Akadaro Rea
ndikangofunga kumuregerera kwacho asi
bundu mumoyo rainge risina kubva. Ko
ndaisvika Rea ndakachengeta
chigumbu."ndazvinzwa" tumisodzi twaive
twobuda achibva andimbundira achiti
"thank you babe ,ndinokuvimbisa kuti
handichafi ndakakurwadzisa zvakare"
akadaro paive akandimbundira achibva
azondisiya achingooneka mufaro chete.
Chaive chanyanya kumufadza inyaya ye
nhumbu. Ini mufaro ndaive ndisati ndanawo
hangu handidi kunyepa.

"Pane zvandoda kutaura newe babe handisi


kuda kukutsamwisa ndoda kubvunza
zvakanaka" akadaro ndikamupa sign yekuti
enderera mberi achibva ati "pane
akambokunyenga here?" He asked
ndikashaya kuziva kuti why andibvunza
izvozvo ndikati "no why wabvunza"
ndakadaro ne voice raiva pasi pasi akati
"mashoko ako akandibaya babe someone
wawaitaura ndian?" mashoko iwawo
ndakamuudza ndakatsamwa ndichida kuti
arwadziwe akabva atozvitora se serious. Ega
aisaona kuti mashoko ekutsamwa here
ndikati "hapana" i said achibva
ambonyarara achibva anditarisa akati "so
why waitaura izvozvo babe. Ndokumbirawo
kuti kana watsamwa usazotaura mashoko
akadaro nekuti rimwe zuva ndichazvitora
sechokwadi ipo pasina zviripo.Zviri nane
undituke pane kutaura izvozvo babe
ndivimbise kuti hauchazvitauri futi" ndikati
"handichazviiti" taive takatarisana nguva
iyoyo,handina kana ma feelings
andakanzwa ndakamutarisa
kudaro."chimwe chandoda kukuudza babe
usazodhonze zvinhu zvako izvi ndizvo
zvawakavinga izvi manje ukadambura
unoda kuzorarama sei ndisingakufadzi.
Ndicho chakaita ubve kumba kwenyu
uchiuya kuna Rea ndipo pane hupenyu
hwacho ipapa." Handina zvandakakwanisa
kutaura ndokuramba ndakanyarara
ndaitonzwa kudhinhiwa hangu.

"I love you babe imbosekerera kani


ndinzwewo kufara I know uchakatsamwa
but ngatisiyane nazvo handina kuitawo
ndichida" ndakaramba ndakasunga
muromo aida ndisekerere chii
chaindinakidza. Ndakaona obudisa watch
yaiva mubeda ne necklace yacho achibva
andipfekedza ende zvaiva zvakanaka
kani ,ndakapiwa ne dress racho re white
nebhutsu dzacho dzaive
dzakakwirira.ndakazvifarira hangu ndikati
"thanks" ndakadaro ndichipeta dress racho
akati "thanks Ani?" Zvaaida kuitwa
ndakazviziva ndikati "daddy" akabva
asekerera akati "you're welcome
babe,ndaive ndasuwa kunzi daddy"

Andina kuzodaira ndakabva ndadzoresa


dress racho mubepa , necklace ne watch
andina kuzvibvisa.Rea akabva aswedera
padhuze neni achibva andizevezera
munzeve dzangu kuti "ndasuwa rudo babe"
akadaro ndikaziva zvaaida ndikanyarara
zvikanzi "ndokumbirawo, zvinoita here tiite"
ndakabva ndadzungudza musoro
ndichirambirana nazvo akati "okay babe
tozongoita paunoda"akaenderera mberi
achiti "ndokumbirawo kiss" ndakabva
ndangomutsvoda padama achibva aseka
akati "babe wangu ndikisewo zvakanaka
ungabva wandikisa seuri kukisa dad
vako"aive asisina kugarisika ndikaziva kuti
mubhurugwa mashatirwa asi ndaisatoda
izvozvo panguva iyi.Ndaive ndadzikamisa
pfungwa nguvai zvekuti angada kutondiita
izvozvo.

Ndakabva ndamukisa achibva atondibatirira


kwakutomboita nguva tichidaro ndichibva
ndazozvibvisa paaiva akati "thanks babe"
ndikati "okay" ndakadaro akati
"uchakatsamwa here babe" akadaro ndikati
"kwete" achibva ati "ko sei usina kufarira
nhumbu asi wanga usati woda kuti tiite
mwana"

"Waida ndifare chirudzii Rea" ndakadaro


akati "kungobvunzawo babe ,ndaiti zvimwe
ndini ndega ndiri kufara" ndakabva
ndasimuka ndikaenda kunobika sezvo nguva
dzakanga dzaenda.Rea akateverawo
akandibatsira kubika. Tapedza kubika
ndakabva ndapakura tikadya, Rea
aingotaura nyaya achioneka kuti ari kufara.

Nguva dzekurara dzakakwana ndikabva


ndadzokera kwandairara nekuti ku
bedroom uko kwaindishaisa mufaro
ndaibva ndaona zvese zvaiita Annah na Rea.
"Handei tinorara ku bedroom" ndikati
"kwete" akati "zvawati wandiregerera wani
babe so uri kurambirei kurara neni" ndikati
"unoda ndirambe ndichirara pamubhedha
wawakarara na Annah here? Handisi kuda
kurara ikoko Rea kungoona mubhedha
iwowo ndobva ndaona ka vision kenyu so
uri kuda kuti pfungwa dzangu dzirambe
dzichifunga nezvazvo" ndakataura izvi
ndichitoenda ku room kwangu achibva
atevera akati "sorry handina kuziva
ndichaubvisa ndotenga umwe" handina
hangu kudaira ndakabva ndatopinda
mumachira.Takabva tatorara tese muroom
imomo.Haana kuda kundibata sezvo ndaive
ndamuudza kuti handisati ndakuda izvozvo
tichibva tatorara.

Mangwana makuseni ndakamuka ndichida


kuita basa , Rea akanga akarara achibva
atomuka ndikati "urisei?" Akati "ndiribho
babe wakarara sei? Ko wamuka nguva dzino
unoda kuendepi" akadaro ndikati "kunoita
basa" akati "kwete ,rara babe pinda
mumachira tozomuka hedu. Ko makumbo
haasi kurwadza here?" Ndikati "haasi aya"
stress yakanga yava nane ndaive ndoita
ndichikanganwa nezvazvo. Rea akabva
anditsvoda ndikadzorera ndokubva
andibata zamo rangu ndikawisirwa pasi
nemanhede akatanga kumwa mikaka yangu
ndikatanga kunakidzwa nazvo zvekuti
ndakanga ndoda asi ndainyara kumuudza
kuti ita achibva ati "ndokumbirawo babe"
ndakabva ndagutsururira musoro achibva
atondibvisa hembe dzangu ndikanzwa
yatovamo ndikatanga kushandirwa.
Chakazondibhowa hakuna kure
kwaakasvika aive atopedza ndikabva
ndatsamwa nekuti pandaive ndasiirwa
pacho pakanga pasingamboiti.

"Sorry babe ndanga ndagarisa rega


ndigokugutsa tese tanga tane nzara"
ndakamunyararira ndikabva ndatoenda
kunogeza achibva atevera tikageza tese.
Tirimo mu bathroom imomo takatanga
kukisana kusvika juju wake wamira
ndikakotamiswa ndikatanga kumukurungira
chiuno ndakakotama kudaro. Ende hakuna
futi kure kwaakasvika ndakasvotwa kuita
sendichamuridzira tsamwa. Ndakatoshaya
kuti chii kukasira kurasa mbeu pa second
round ndokubva ndaramba ndakamutarisa
akati "Waida ndidiniwo babe iwe uchinaka
kudaro uri kunyanya kutapira"
"Kutapira kuita sei kwacho uchingondisiya
ndine nzara ,pekutanga ndanzwisisa kuti
wanga wagarisa ko apa chii chaita ukasire"
ndakanga ndatotsamwa akati "uri kutapira
babe sezvandataura , sorry Mai mwana
unoda ndiite sei" ndakabva ndatoenda
kunopfeka hembe dzangu ndokubva
ndanoita basa rangu.Pandakapedza basa
ndakabva ndatogadzira tea ndikaisa jam
pachingwa ndokubva tatodya.

Rea akabva ati achambobuda kunotsvaga


mubhedha achibva ayenda ndikasara
ndichiwacha hembe,pandakapedza akabva
adzokawo aine vamwe varume vachibva
vapinza mubhedha mumba waiva ku
bedroom uchibva wabvisa kwakuiswa
munyuwani.
"Ndakutengera mubhedha wako babe
kwasara ma blanket tozonotenga
handiti"ndikati "ehe" ndakadaira ndichigara
pamubhedha wacho waiva
muhombe.ndakabva ndati "sorry Rea
nemashoko andaikuudza nekukurova
kwaiva kutsamwa ndainga ndisina
kuzvitarisira kuti ungandihurira" ndakadaro
achibva auya pandiri akati "handina kuhura
babe I told you kuti handizive kuti
zvakafamba sei. Zvawaiita izvozvo zvaitova
right cz zvinobhowa kundiona ndakarara
nemumwe mukadzi. Ndirini ndaitirwa
izvozvo ndinotonzwawo kurwadziwa ndini
ndofana kutoti sorry babe,wakashinga
mukadzi wangu ingadai wakatotora mabag
ako ukaenda hazvisi nyore kuzvigamuchira"
akadaro Rea ndikati "ndakashaishawo
kutaura zvisina basa ndaizama kuda
kukurwadzisa"
"Okay babe zvapera ndangofarira hangu
kuti wandiregerera. Zvakawanda
ngatisiyane nazvo" akadaro achinditsvoda
pamhanza pangu ndikatanga kugadzira
mubhedha wangu ndokupedza foni yangu
ichibva yarira , ndakaona vari baba
vaindifonera ndikabva ndadaira.

"Hello" ndakadaira zvikanzi "urisei


Mamoyo" ndakaseka hangu ndikati
"ndinofara Chirandu kurisei ikoko" vakati
"kunotamba zvako unotishanyirawo rini
ndoda uvuye kuona mama vako kuno"
ndikati "okay kana ndoda kuuya
ndokuzivisai" vakati "okay" vakabva vakata
ndikaudza Rea akati "hapana chakaipa
tozoenda kunovaona" ndikati "okay"
pandakapedza kugadzira mubhedha
ndakabva ndanotora ma orange
ndikanogara ku dining ndichiona
tv,ndakambovarairwa hangu ndakatarisa pa
tv ndichifunga hangu zvakawanda
ndikazovhunduswa na Rea achiti "uri
kufungei?" Ndikati "hapana kungovarairwa
hangu"

"Hoo,ngatitsvage zita rekuzopa mwana


wedu"ndakaseka ndichiti "ko atozvarwa
here akuda kutsvagirwa zita" akati "Ah
kugara riripo kaa babe, ndiudze raunoda ini
ndokuudzawo rangu toona rinoita"

*End of chapter*

*Stay tuned *
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 51*
*KIMBERLY*

Zvose zvakanga zvarongeka ,chaive chasara


kunobvisirwa roora ndochibva ndaita mai
Cheza vakakwana ,handingati kuroorwa
kwandaive ndaita iko kutizira ikoko
hakunganzi kuroorwa baa. Zvongodawo kuti
urorwe nenzira yakanaka,zvinoitawo kuti
vabereki vafare uye vanodanana newe.
Dudu akanga atova nayo mari yacho yekuti
tichienda kumba kwedu. Ndakafonera
vabereki vangu ndichivaudza kuti tiri kuuya
mangwana. Munhu wandakataura naye ndi
mama vachibva vanzwisisa. Kusaziva kuti
dad vaizonatsa kutambira mukwasha
zvakanaka here. Nekuti dad vane kamusoro
kanodziya ,vanogonaka kungojamuka
wakatemba. But handifungi kuti vaizodaro
havo sezvo mama vaive vakandiudza kuti
havachina kutsamwa. Saka ose aiva
machena. Ndainzwa kufara hangu nekuti
sisi vangu vaive vakaroorwa zvakanaka
zvaigaro imbiwa namama kuti itawo nasisi
vako ,ipapo ndakanga ndambofunga
zvekuroorwa here ndaingoda zvemafaro
chete. Izvi zvekuroorwa zvakatouya
ndakarivara.

"Ndoda kumboenda ku church kana uchida


kuendawo geza tiende." Akadaro Dudu
achibva kunogeza. Ndakamboda kuseka
hangu kuti Dudu chaiye kuda kunamata
chaiko here kana kuti aida kutaimira ma
babe eku church. Ndaiziva Dudu asingadi
kunzwa nezve ku church,chake kwaiva
kuswera achimwa doro. Zvino aive
akutondichinjira ipapa kutoita good munhu
chaiye. Ndakangoti inga Mwari makanaka
kutendeusa Dudu kuti ade kunamata.

"Uri kuda kuenda here nhai mai Dee kana


usingadi taura ndiende ndoga hangu nguva
dziri kufamba idzi" he said ndikati"uri
kutorevesa nhai Dudu ndanga ndichifunga
kuti uri kutamba rega ndinogeza"
ndakadaro ndichitora towel rangu zvikanzi
"ndingatamba neizvozvo here mukadzi
wangu. Ndoda kumbodzinga mhepo
dziende kure , mangwana ndoda
kunokuroora zvakanaka ndizvo zvandiri
kuda kuendera ku church." Ndakaseka
hangu ndakamutarisa achitaura kudaro.
Ngatange kuzvikakata hake achizviti
ndakuda kuita mukwasha wekwa Chiromba.
"Unorwara wena unozvidhonza kuti une
mhasuru here" ndakadaro ndichiseka
achibva anditarisa akati "Saka anozvidhonza
ndeane mhasuru chete here?" Ndikati
"Eheka ,dai waijima dzaibuda manje
unoswera wakagara hako" akati "mhasuru
hadzina basa idzo,kuti dzinodyiwa here"
ndikati "hadzidyiwe but kana wofamba
kunze uko vanhu vanonatsa kuona kuti
paita zvemurume apa" zvikanzi "
zvemurume kuita seiko?enda unogeza uko
uri kungowanza nyaya zvisina basa."

Ndakanogeza kunatsa kuzvikwesha


chaiko ,zvekugeza izvi ndaive ndozvinzwira
nungo. But nekuda kwekugara nemurume
uku unotogeza usingadi uchida. Ndapedza
kugeza ndakanopfeka ka tenet kangu kaiva
kakanaka kaingosvika mumabvi.
Ndakazvigadzira musoro wangu ndaive
ndabvisa ma braids aivamo mumusoro
kwakusara bvudzi chete ndikarikama
zvakanaka raive rosvika mumabendekete.
Bvudzi rangu raiyemurika zvekuti vanhu
vazhinji vairida bvudzi rangu.

"Vakadzi vanonetsa havadi kubuda mumba


ndizvo zvavanobhowera. Izvozvi uri
kungotenderera kasingaperi ipapo
ndakukusiya ini" akadaro achitotora makiyi
emota ndikati "ndakupedza kani ndimirire"
ndaipfeka bhutsu ipapo ndokubva ndasunga
bvudzi rangu nechidhuku ndokubva
ndamhanya kumota kwaive kwatoenda
Dudu. Ndichingopinda mumota akabva
ayimutsa ndokubva taenda hedu. "Tiri
kuenda ku church kupi kwacho"
ndakabvunza akati ku " AFM" ndikati"hoo"
tiri munzira kuenda Dudu akabva amisa
mota ndikati "tamirirei?" Akati "pane
muchinda andiri kuda kuona apo" akabva
aburuka ndikaona achinosangana
nemumwe mukomana aingovewo zera ra
Dudu. Vakanomira kure nemota zvekuti
zvavaitaura ndakanga ndisingazvinzwi. Apa
nyaya dzavo ndaida kudzinzwa. Vakapedza
kutaura Dudu achibva auya ndikati "ndian
wawanga unaye" zvikanzi "asi
wamufananidzira kani" ndikati "kwete ndiri
kungobvunzawo ini" akati "haumuzivi
ifriend yangu" akadaro ndokubva taenda.

Takasvika ku church kwacho tikaona church


yatanga. Takapinda mukati ndokubva
tanogarawo pama chair , pastor
vaitoparidza shoko ra Mwari. Ndichingogara
pasi zvikanzi "Sisi huyai kuno" ndakabva
ndasimuka ndikaenda mberi kwe vanhu.
Ndakamira ndokubva vandibata bendekete
rangu ndokuramba vakanditarisa.
Ndakatarisa Dudu uyo ndikaona akavhurisa
ziso ndikaziva kuti kubatwa bendekete
kwandaitwa uku haana kuzvifarira.

"Sister ,pamberi apo ndaona mabudisa


misodzi yeropa" vakadaro Pastor. Vaive
vabvisa havo ruoko rwavo pabendekete
rangu ,ndakashaya mhinduro. Ndakatadza
kana kubvunza chaiko kuti zvingava
zvinorevei kuti ndichabudisa misodzi yeropa.
Ipapo ndakanga ndonzwa kutsva ,pamwe
nekutohuta ndokurovera moyo padombo
kubvunza kuti "munorevei Pastor"
ndakadaro ndisisina mufaro. Ndakanga
ndotya-ka nezvandaive ndanzwa
izvi."Ndaona matorerwa chinhu
chamunodisisa ,kuti muwane kundiso
motonamata zvakasimba nekuti ndaona
zvisina kumira zvakanaka motosimba
kuenda paminamato" zvekunamata zvacho
ndaizozvikunda here , kubva ndizvarwe
ndaisaenda ku church ini. But nekuda kwe
mashoko aPastor ndaitofana kudzidzira
kunamata chaiko. Asi handina kuziva kuti
chingava chii chinhu chandinodisisa chacho.

Vakabva vandinamatira ndokubva


ndanogara pasi. Kana Dudu ndakamuona
kuti aive achinja chiso. Pamwe akanga
otyawo mashoko aPastor. Pastor
vakaparidza shoko rakandibata pakati
pemoyo wangu hanzi...

Akakomborerwa munhu asingafambi


panorangana vakaipa,Asingamiri panzira
yavatadzi ,Asingagari panogara vadadi.Asi
anofarira murayiro wa
Jehovah ,Anofungisisa murayiro wake
masikati nohusiku....
Zviri kuna Mapisarema 1 ikoko ,shuwa
ukanzwa shoko ra Mwari unenge wakuda
kutoramba uchirinzwa. Nguva yekunzi
vaenzi vasimuke yakasvika ndokubva
tatotendeuka nekuti shoko rakandinakidza.
Vanhu vakabva vaimba rwuyo rwunonzi lion
of Judah ndokunzwa kuti ndiri muimba ya
Mwari. Ndaisaziva kuti kunamata
kunonakidza hama ,asi kana waenda ku
church kwacho moyo usingadi hapana
chinenge chichinakidza but ukaenda
nemoyo wese unonzwa zvichiendeka.
Nguva yekunamata yakasvika ndokubva
tamanata vanhu vakanamatirwa na Pasto
church ndokubva yatovharwa.

Takadzokera zvedu kumba Dudu akati


"zvataura pastor wazvinzwisisawo here"
akabvunza ndikati "handina kuziva
zvavaireva. Chandinofarira chacho chingava
chii ndatadza kuziva" akati "wadii
kubvunza" ndikati "handina kumbozvifunga
ini handi vanenge vachingotaura
vachibhendesera havati dyo ipo pacho
vanongonzvenga nzvenga so zvinonetsa
kunzwisisa" akabva adzungudza musoro
wake achizvikandira pabed. "Ndiri kufungira
mwana wangu ,handidi kurasikirwa naye ini.
Mwari wacho ngausaita hake kuti zvidaro"
Ipapo ndakabva ndavhunduka nekuti
ndainge ndisina kumbofungira izvozvo.
Ndakabva ndatopuruzira dumbu rangu
ndichiti nezita rajesu ndinomubata uyu.
Kuzvarira muvhu kunorwadza ndaitofana
kusimba paminamato sekutaura kwa Pastor.

The next day takamuka kugeza sezvo ndiro


zuva raiva remarooro. Ndapedza kubika
ndakanobika breakfast ndokubva tadya.
Takapedza ndokubva tanopfeka hembe
dzedu "ko haupfeki sutu" ndakadaro akati
"sutu yei yacho handisi pastor ini"
ndakaseka ndikati "pastor chete ndivo
vanopfeka sutu here , pfekawo kaa vanhu
vakuone semukwasha akarongeka"
"Saka uri kuzama kuti handisi mukwasha
akarongeka here" akadaro Dudu ndikati
"sandizvo zvandareva ndiri kungotaurawo
ini ,pfeka zvinokuitira zvacho." Akabva
anyarara ndokupfeka bhutsu dzake.
Takapedza kupfeka ndokubva tabuda
kwakunanga kumba kwatete
kwatakamboenda kuya. Takasvika
vatopedza havo kupfeka ndokutorana
kuenda. Kaziso kandaipiwa natete
kaindishaisa mufaro. Handizivi kuti vakanga
vandimakirei chaizvo. Hameno vaindiona
semunhu akaitasei nekuti ziso ravo raireva
zvakawanda. Ndakangoti handinei nazvo ini.
Shuwa kutobudisirwa ziso usingazive kuti
mhosva yako ndeyei. Takasvika kumba
tikanzi tipinde hedu mumba. Pamba
pakanga pakashongedzwa pakaiswa deco
hapana chaimbonyadzisa zvapo. Takapinda
mumba ndikaona mutori nevanhu
vakawanda,dzaiva hama dzedu dzose dzaiva
mumba imomo. Kana sisi vangu vakanga
varimo apa ndakanga ndavasuwa.

Mari dzakatanga kubviswa , Dudu akabva


anzi ane mhosva yekundigura musana asati
aroora,kugura musana kwaivataura vaizama
kuti kundipa nhumbu asati aroora.
Zvimhosva zvacho zvaive zvakatowanda but
akabva abvisa mari yacho yaive yataurwa.
Dudu aive akanunuwawo pamari apa.
Akabva anzi abvise futi mari yekupwanya
ruzhowa haa imiwe zvimhosva zvacho
zvakawanda but mwana wevanhu akaibvisa
mari yacho akadekara hake asiri kumbohuta
huta kuti ingapera. Mari yeroora chaiyo
yakabva yachizobvisa ende dad
vakashamisika nazvo kuona Dudu achibvisa
yose kusara asina kana chikwereti. Mama
ndaivaona hangu vachisekerera ndikaziva
kuti zvavafadza izvi.
Zvose zvakapera zvakanaka ndokubva
ndambotorana nasisi vangu ndichida
kumbokurukura navo. "Nematambudziko
kaa emwana" ndakadaro vakati "akaonekwa
kani zvakandirwadza haana kumboita
mazuva achirwara ndokubva atofuga rake
oga" ndikati "hupenyu sisi ndanga
ndakusuwai wena ,vari bho here bamukuru"
vakati "vanofara havo. Wazofadza vabereki
munin'ina wangu kunyanya dad vaive
vakabatikana but nhasi wavafadza" ndikati
"havangatadzi nekuti ndakamitiswa
vasingafungire" zvikanzi "rega
ndimbonoona bamunini vangu
mungatodzokera ka ndisina kumbokurukura
naye." Vakabva vaenda ndikaenda
kwayiitwa zvekubika ndakanga ndatova
nenzara ini ndikavati vandipe chikafu
ndidye vakabva vandipa zvikanzi "nzara
yacho yanga yaruma nguvaiko mbuya
dhegu uchatibarira monya" ndakabva
ndaseka ndichienda hangu ndikanogara pasi
ndikatanga kudya. Vanhu vose vakazodya
ndadya kare.

Zuva parakavira takabva tadzokera kumba


kwedu. "Ndaisaziva kuti zvine hondo
zvekuroora izvi" said Dudu ndikaseka
ndichiti "waiti inyore here" zvikanzi
"Ah ,zvaitaurwa ipapo handina
kutozvinzwisisa. Ko matekenyandebvu
ndochii nhaiwe Mai Dee" akabvunza
Dudu,aitobvunzawo hake munhu asingazive
"handizive ini wadii kubvunza tete pamwe
vanoziva" zvikanzi "Haa zvandaitaura zviya
wazvionaka mhosva dzacho kuwanda kuzoti
dai wanga wane mwana dzaizowandisa"

Akadaro akarara hake ndokubva ndaona


kujeka kwefoni yake ndikaitora asingazvioni
ndikaona yakaiswa pa silent. Kujeka
kwayakaita yaive yapinda message
ndokubva ndaiverenga. "Ndipo mvura babe
ndoda inotonhorera" akadaro Dudu
ndikaramba ndakanyarara ndichiverenga
message yaive yakanzi enda ku app.
Number dzacho dzaive dzakanzi Raster.
Raster uyu handina kumuziva. Ndakaenda
kunomutorera mvura ndichibaya foni yacho
ndikaenda ku WhatsApp uko
kwandakasangana nemashura pa number
dzaive dzakanzi Raster. Ndakambofunga
kuda kuipwanyira pasi foni yacho.
Ndakadedera nehasha ndakabata foni ya
Dudu.

*DELIVERANCE*

Ndainzwa kuda kugara pamushanha


ndokutora cheya yangu ndikanogara panze.
Akanga ari makuseni ndisati ndaita basa.
Wangu murume aive akarara hake.
Ndakagara panze ipapo ndichifunga kuti
ndianiko mboko yaive yakandiisira message
ichiti yandisuwa. Zvokwadi munhu uyu aida
kuti ndinetsane nemurume wangu. Rea
wacho aive oda kutombozvitora serious. Asi
ndakabva ndamuudza kuti handiite
zvekuhura. Ndinenge ndashaiwei hangu
kusvika pakuhura. Asi ndakabva ndadzidza
kuti chero ndikatatsamwa handichafe
ndakataura mashoko ekuti ndozobvunzwa
ndinotadza kupindura. Dai Rea aive mumwe
munhu kaa ndaigona kutopinda busy ipapo.
Asi akabva anzwisisa hake.

Ndainzwa mushanha uchinatsopinda


munyama dzangu. Ndakazonzwa ndodanwa
na Rea ndikaziva kuti ari kunditsvaga
ndikamudavira achibva auya. "Nhai babe
zvaunondirovesa nehana. Ndanga
ndichishaya kuti waendepi" ndikati "ndiri
pano dady mamuka sei" i said achibva
aswedera pandaive akati "ndamuka bho
wakarara sei" ndikati "ndakarara bho ini"

"Ndinokubikira chikafu here" ndikati "Aewa


ndiri pamutsanyo ndozodya kuma 3"
ndakanga ndisingachazivi kutsanya. "Okay
saka totsanya tese tozodya kuma 3 kwacho.
Ko tadii kuenda kunoona dad vako sezvo
hatina zvekuita hedu" ndikati "ndaive
ndatokanganwa nezvazvo rega ndivafonere
ndivaudze kuti tiri kuuyako" ndakabva
ndanotora foni yangu ndikavafonera
ndikavaudza vachibva vafara ndokubva
ndatogadzira mumba mangu. Ndichipedza
ndakaenda kunogeza. Rea akazopinda mu
bathroom ndatopedza kugeza. "Perfume
yako iri kundinhuhwira Rea" ndakadaro
ndichinomira kure nayo. Akabva atobvisa
hembe dzaiva aisa perfume akapfeka
dzimwe haana kuzoisa perfume yacho
tichibva tatobuda kuenda. Ndaitaura na
baba vachitiudza mafambiro acho sezvo
taisakuziva kwavaigara kwacho. Takasvika
kumba kwavo ndikaona vari voga
ndikashaya kuziva kuti mama vacho vari
kupi. "Makadii dad" akadaro Rea pataive
tagara pasofa zvikanzi "ndinofara vanangu
hurisei hutano hwenyu" zvikanzi "hutano
huri bho dad" akadaro Rea ndikati "ko
mama varipi" vakabva vadeedzera kuti "Mai
Dee huya kuno uwone vana vako vauya
ava" ndakavhunduka kuti vakutonzi mai
Dee , pandakaona mai tafara vachiuya
zvakandinetsa kutadza kuziva kuti ndiwo
mai Dee vacho here. Ndakasimuka
ndokumbundira mai tafara ivo vakafarawo
nekundiona. Takaita nguva takambundirana
ndokubva tazoregedzana ndikanogara pasi.
Mai tafara vakamhoresana na Rea vachibva
vanogara pasofa raiva rigere baba.

"Nhai mai tafara makauya rini kuno"


ndakadaro ndichibvunza vachibva
vasekerera baba vakadaira kuti "Delly
mwanangu ndivo vave mama vako ava"
ndakaita sekuti handina kunzwa.
Ndakashaya kuti ndofara sei ndokuti
"mama!!!!" Ndichinovambundira futi.
Zvakandifadza ini nekuti mai tafara munhu
wandinoziva kuti ane rudo. "makagona
baba ndaigarozvishuvira kuti mama Mai
tafara vave mama vangu" vakabva vaseka
zvikanzi "ndizvozvo mwanangu chese
chanetsa unoudza mama vako ivava
vanokubatsira" ndikati "zvakanaka baba"
ndokubva ndaenderera mberi ndichiti " ko
tafara ari kupi" vakati " ndakamuendesa
kwa gogo vake" ndikati " ko makamusiirei?"
Vakati "hapana ndoda agare ikoko" baba
vakabva vati "ndakambotaura nezvazvo but
havadi kunomutora"Mai tafara vakanga
vasina murume aive vakasofirwa kare
nemurume wavo. Mai tafara vakabva
vasimuka kuenda ku kitchen ndikabva
ndatevera nekuti ndaive ndatoziva kuti vari
kuda kutigadzirira chikafu. "Takaguta isu
mama musazvinetsa henyu" ndakadaro
vakati "Ah , haurevesi Dee uri kuda
kutoramba chikafu ipapa" ndikati "tiri
pamutsanyo henyu mama" zvikanzi
"hoo ,irisei imba yako ugere zvakanaka kaa
iwe, wakaoma Dee kana kumbondidana
pamarooro ako kutoita kunzwa nemakuhwa
kuti Dee akabvisirwa mari akaroorwa"
ndakaseka ndichiti "sorry Mama
ndakakanganisa kungoti ndaive ndine
zvinondinetsa so handina kumbozvifunga
henyu" vakati "Ah kutadza kundidana futi
kumuchato here usadaro ndaida kudya ma
cake. Uri kumbodyei kusimba kudaro haa
mukwasha ari kukuchengetaka ndiri
kuzviona"

Ndakaseka hangu ndokubva tadzokera


kwaiva na baba na Rea "chikafu chacho
chiripi" vakadaro baba zvikanzi "vati
vakaguta" vakadaro mai tafara zvikanzi
"ungatevedzera zva Dee uyu ko mwana
wangu uyu nhai mupei chikafu adye"
vaireva Rea ndikati"titori right baba
musanetseke henyu" havana kuzoramba
vachiita nharo.

Nguva dzakafamba tiripo pamba pavo


ndokubva tazooneka tikadzokera kumba.
Nguva padzakakwana dzeku breaker
mutsanyo wedu takabva tatonamata.
Tapedza kunamata ndakanotora polon ne
drink kwakudya. "Ko ini ndakaguta kasi"
akadaro Rea ndikati "nzara daddy huya
tidye" zvikanzi "mukadzi iwewe
zvaunonyima nhai" takabva tatodya tese.
Nguva iyi ndaisada kudya zvinogutisa
ndaingoda kudya zvakareruka.

Mazuva akafamba , Rea ndakanga ndane


kakumuvenga kandaisaziva kuti kari kubvepi.
Kana mu bedroom chaimo ndakanga
ndisingachadi kubatwa. Aiti akada
kundibata ndaibva ndachema kubudisa
misodzi chaiyo. Madiro andaive ndoita doro
akanga asina kumira zvakanaka. But doro
racho ndakanga ndonyimwa zvinova zvinhu
zvaindibhowa. Ndaibva ndatowedzera
kumuvenga chaiko. "Ndichambobuda babe"
akadaro Rea ndokubva ndamunyarira
ndikabva ndazoti"undivigirewo doro"
akabva amira kufamba zvikanzi "hapana
doro rauchamwa kuda kundibarira
kachidhakwa pano" ndakabva ndaridza
katsamwa mumoyo ndikati "ndonotenga
ndega" akati "ndinokurova" ndakabva
ndamutuka akaenda. Ndakanga
ndisingachadi kutomuona ipapa. Asi
kungobuda kwaakaita ndakabva
ndatomusuwa ndikatora foni yangu
ndikamufonera achibva adaira "watii babe"
ndikati "ndakusuwa" akabva aseka pa call
ipapo akati "unorwara here iwewe
unondida kana ndisipo kana ndinewe haudi
kundiona" ndikati "Ah uripi" akati "ndiri
kumba kwa dad imboswera wega ndaneta
nekutukwa newe" ndakabva ndachema pa
call ipapo akati "unonetsa handimbouyi"
ndakabva ndakata call yacho ndikaenda
kunoona hangu tv. Ndaingoona hangu tv
but ndaifunga Rea handitozivi kuti neyi
ndainyanya kumuda iyoyo. Asi kana
angouya chete ndobva ndatotanga
kubhoikana Akazouya zuva rakuvira
ndikasamumhoresa zvikanzi "ndauya babe
handi wandisuwa here" akadaro achigara
padhuze neni ndikatotanga kumutsunya
akati "ndizvo zvaunobhowera izvozvo
ndichabva pano wosara wega" ndikati
"ndochema zvee" akabva aseka achienda ku
bedroom ndikatevera ikoko ndikaona
achibaya fon yake ndikati "uri kutaura nani
Rea" zvikanzi "kutya kuhurirwa here"ndikati
"Ehe" akati "ipa murume wako rudo kana
usingadi kuhurirwa" ndakabva ndamusiya
ndikaenda kunobika. Ndakapedza kubika
tikadya.
Takanorara ndikapinda muma blanket
nehembe ndisingadi kubatwa na Rea. Kana
iye haana kumboda kundinetsa takabva
tatorara.

Ndakazopepuka mudumbu mangu mangu


muchirwadza , ukuwo ndichinzwa kuda
kurutsa ndakabva ndatomuka kuenda
kubathroom ndikanorutsira ikoko.
Pandakapedza kurutsa ndakanoudza Rea
kuti mudumbu muri kurwadza achibva atoti
timbosvika kuchipatara ndokubva taenda.
Nurse vakanditarisa vakati zviri normal
ndokubva tatoenda hedu ku town
kunotsvaga chikafu chaive chopera mumba.

"Mudumbu muchiri kurwadza here babe"


akadaro Rea ndikati "wadii kundibvunza
kare" akati "Ah mazuvano wakandivenga
unoti handizvioni here" ndakabva
ndanyarara ndokubva tanotenga zvi grocery
zvedu. "Babe , ndokumbirawo kumbotaura
newe imbomira kundivenga" ndikati "taura"
akati "ndasuwa kiss babe , wandivenga
zvekutadza kuda kundipa kiss chaiyo
usadaro babe ndipo kiss" akadaro
ndikatonzwa kutsva hangu ndokuramba
ndakanyarara. Handitombozivi kuti neyi
ndamuivenga zvekudaro. "Please babe
ndosuwawo kiss uripo here babe handisi
kukumanikidza zvimwe zvose izvo ndiri
kungoda kiss chete" ndakabva ndamukisa
zvaaida zvacho but ndakatomukisa
ndatofundumwara. Ini zvaitondinetsawo
kuti why ndanyanya kuvenga murume
wangu kudai.

*LIZZY*

"Ndokumbirawo usiye tsika yekundinetsa


wazvihwa wakandiramba kare iwewe
ukandidadira nguva yandaikuda nhasi woda
kundiudza kuti unondida waifunga uchiti
ndichakunyengerera here une demon
rekumba kwenyu. Siyana neni ndakaroorwa
ini zvako zvekuramba uchindichinjira
number usiye zvako tsika
yacho ,musatonyoko wako wanzwa"

"Nhaiwe Lizzy kukuda imhosva here?"said


Clever ndikati "hezvo uri kukanganwa kuti
wakandituka kuti ndakashata uye ndine
nhamo inonhuhwa ,nhamo yacho yapera
here uri kundiudza kuti unondida. Usada
kundijairira enda unonyenga mahure uko
unofunga uchiti ndichadzokerana newe
here,hongu panguva yacho
zvakambondirwadza asi zvakatopera
ndakaona munhu anondida nenhamo yangu
yawainditukira iyoyo. Kana wanga wati
ndichakubvuma manje wairasa waida
kundidya pakati pemakumbo kaa haa
wakadzungaira iwewe handisi bhero ka ini
rekuti wada anongobata otsveta woyenda.
Ndapedza newe usataura neni futi rega
nditombopa mudiwa wangu rudo bye."

Ndakabva ndabva online. Zvakandinetsa


kuti Clever aive akandiramba akundiudza
futi kuti anondida. Nekundirwadzisa
kwaaive akandiita aifunga achiti ndichada
nezvake here. Kuva murombo handioni
sekuti imhosva ini. Dai akangondiramba
chete asina kundituka zvaiva nane. Zvino
ndaive ndakaita kuudzirirwa mashoko
anorwadza zvekuti chakasara chine
mudzimu wacho.

Ndaigara namama chete ,baba vaive


vakaenda kusingadzokwi tikasara
tichitambura namama. Ndipo pandakafunga
zvekushanda ndichiti ndichengetewo amai
vangu. Na Clever takangodanana nguva diki
diki achibva atondiramba. Handioni sekuti
yaivawo mhosva yake nekuti ndaisatora
nguva ndichidanana nemukomana aibva
atondiramba zvinova zvaindinetsa kushaya
kuziva kuti munyama here. Asi kubva
zvandakauya pamba pa Chimiro hupenyu
hwangu hwakatotangawo kuchinja
ndichizvitengera hembe ndichipfeka
ndichitumira mari kumusha kwaiva namai
vangu.

Ndaive ndakutonzwawo kuti hupenyu huri


kuendeka ndokubva ndazotonyura murudo
nababa Rea. Rume rine rudo iri
asikana ,ndakatopinda murudo sekutamba
sekuseka. Ndakati zviri nane hangu
ndidanane nemurume mukuru akuziva
kuchengeta mukadzi zvakanaka. Ndaive
ndaneta kudanana nevakomana
vachingondidhamba zvandisinganzwisisi.
Kana waive munyama wandaive nawo
ndaitounamatira kuti ubve pandiri. Ndaive
ndotoda zvekuroorwa nababa Rea.
Vakandivimbisa kuti chese chaunoda
ndinokuitira uye ndinofa newe. Ndikati
hamuchaoni zvee ndivo vanonzi varume ava
kwete zvana Clever zvekuda kuswero
nyengererwa.

"Mummy!!!"

Ndakanzwa kudeedzwa na baba Rea ndiri


pakati pekuona tv ndikati
"Shewe!"

Ndakadaira ndichitoenda kwavaiva. Ndaiva


respecter hangu handidi kunyepa.
Ndakaenda paya ndokuti "matii dady"
zvikanzi "gara apa timboti mwini mwini"
ndikati "kwakanaka here Samaita"
ndakadaro ndichigara pasi zvikanzi "kwaida
kushatei mai mwana" vakadaro
vachinanzvira muromo wavo vakaenderera
mberi vachiti.

"Lizzy mukadzi wangu ndinokuda mashoko


aya ari kubva pakati pemoyo wangu.
Ndafunga kunobvisa roora kumba kwenyu.
Handizive vabereki vako vachanditambira
sei" vakadaro ndikati "musazvinetsa
Samaita kumusha kwangu uko handina
hama ini. Baba vangu vaingova 1 chete
mumba mavo. So handioni sezvinobuda kuti
munobvisa roora kumusha nekuti kungori
namai vangu chete handina hama ini."
Ndakadaro zvikanzi "Saka todana mama
vouya vogara kuno. Handichadi kuti vagare
kumusha ikoko ndoda vadye mari
yemukwasha wavo"

Ndakasekerera ndoti "Maratidza kukura


daddy ndafara zvikuru murambe mune rudo
rwenyu" vakati "unotendei mukadzi wangu ,
nhasi ndafunga kuti tiise kamwana
mudumbu. Unozvionawo sei?"I smiled
ndakatarisa baba Rea ndikati "hapana
chakaipa Samaita handi muri murume
wangu here" zvikanzi "thank you nhasi
ndinonakirwa ini"
Ndakaseka kani. Ndaive ndatozvipira kuti
tiite mwana wacho. Ko ndinorambirei
pakadaro ini ndaita kugarika kudaro.
Ndakabva ndapiwa katsvodi ndokudzokera
havo kunorara. Ndakaramba ndakavatarisa
hangu vachienda kudaro. Ndakabva
ndatofonera mama vangu ndichivazivisa
zvaive zvataura mukwasha wavo. Ko handi
vakanga vakuzviziva havo here ndaive
ndakavaudza nezvazvo.

Ndichipedza kufona ndakabva ndanzwa


knock pa door ndokunoona ndikati
ndian ,but munhu wandakafungira ndi Rea.
Ndichingovhura door ndakavhunduka
ndichiona vari mai Dee.

*End of chapter*
*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Ghp5uuVPOqA
AfpOGhloy90

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*
#0621141536

*CHAPTER 52*

*MELISSA*

"Gogo kani ndakufa"I said zvikanzi "shinga


muzukuru wangu" vaive vonditakura
kundiisa mumota. Vaizama kuda
kundinyaradza nekundisimbisa asi
zvaisashanda , ndakaridza mhere isingaiti.
Ndakazviudza kuti handichafe ndakavhura
makumbo. Mimba kana yaruma unonzwa
kunga woda kufa chaiko.

Ndakapinzwa mumota muya ndokubva


yamhanyiswa kunanga kuchipatara. Ndaiti
ndikambotsikitsira huso hwangu ndobva
ndambobata chiuno ndichitadza kugarisika.
Ka pain kacho so handingagone
kukatsanangura veduwe. Takasvika
kuchipatara kuya ndokubva ndasimudzwa
futi kubuda mumota. Ndakaendwa neni
mukati ndakabatirwana.

Ndichingoiswa pabed vakatanga kunditarisa.


Ndakazosvotwa ndonzwa kuti ma cm achiri
kure ,haa ndakaita kunonzi kuiridza mhere.
Ndakabva ndatonzi ndimbofamba famba
kuti akasire kufamba ma cm acho. Gogo
vaive vabuda handizive kuti vakanga
vaindepi. Ndaingotenderera ndichizunza
maoko kana pain yacho yonyanyisa ndobva
ndambomira ndakaita zvekukotama.

Gogo vakazouya vakandimwisa mvura


yandaisaziva kuti inei ndokubva ndamwa.
Pandakangopedza kumwa mvura iya
ndakabva ndatonzwa kuda kupusha. Nguva
iyoyo ndakabva ndatoendeswa kubed
ndokubva ndatanga kupusha. Zvaisava
nyore izvi asi ndaishingirira kuti mwana
wangu abude uye ndaisada kumanika baa.
Nurse vaingoti push ndichingo pusha kani
dzimara kamwana kabuda ndokubva
kachema ini ndokumhanya kutarisa kuda
kuona kuti kamurudzii. Asi handina kuzoona
nekuti nurse vaive vatoenda naye
kunomugezesa. Kubuda kwakaita mwana
pain yacho yakabva yanyarara kuti zii. Kuita
sekuti handina kumbobvira ndarwadziwa.
Zasi chete ndiko kwaingorwadza ,haa
ndakaita kutura mazifemo kani ndaive
ndabudamo ini. Izvi zvine makuva pasi
hama handidi kunyepa unogona kungofuga
rako wega nekuda kwekubara ikoku.

Ndaive ndamirira kuona ka baby kangu ,


nurse vacho vaive vononoka kuuya naye.
Ndakabva ndatomboisa musoro pasi
ndichida kuzorora. Mwana wangu
akazouyiwa naye ndokubva ndafara kani
ndakakatarisa ndokuona ari musikana.
Haiwa ndakati Mwari kudzwayi
nekusingaperi.

Aive aputirwa ndokubva ndamuradzika


padivi pangu. Kaive katotsinzinya zvimaziso
zvaiko kuratidza kuti kari kutoda kurara.
Mufaro wandaive nawo waive wakapetwa
kakawanda. Ndakabva ndanzi ndinogeza
ndokubva ndaenda. Ndakapedza
ndokudzokera hangu kwaiva nemwana
wangu.
Pandakaona gogo vachiuya vakabva vamira
ndokubva vatura mafemo vachibata hana
yavo ini ndokusekerera hangu. Vakafambisa
ndokuenda pane mwana ndokuti
"nemakorokoto muzukuru wazviita kaa
muzukuru wangu ndaitotya kuti uchatadza
kupusha." Ndikati "zvaitwa izvi gogo inga
zvitori nebasa ,unofunga kuti wakuda kufa
chaiko cz pain yacho haijarike." Vakabva
vaseka vachisimudza mwana vakamuisa
pamakumbo avo.

"Kufanana na mai vacho" ndikati "iiii gogo


aive aoneka nguvai kufanana neni iye
achangobuda izvozvi apa" ndakadaro
ndichiseka vakati "zvimaziso zvacho neka
mhino ndiwe apa wazvibara" ndakaseka
hangu ndokushaya mhinduro ndikanyarara.
"Saka anonzani manje" vakabvunza gogo
ndikati "handisati ndatsvaga zita" vakabva
vazoisa mwana pabed ndokubva vaenda
kumba vachiti vachadzoka mangwana
vonditora.

Vakasiya vandipa foni yangu ndokubva


ndafonera mama vakadaira nekukasira.
"Hello , Melissa" vakadaro ndokubva ndati
"murisei mama" vakati "ndinofara
mwanangu kurisei na gogo" ndikati
"kunofara kwave nemuzukuru kuno"
vakabva vanzika kufara pa call ipapo
ndokuti "Mwari kudzwayi kani murudzii"
ndikati "kamusikana" zvikanzi "zvinotendwa
izvi ndichazokufonera ndiri pabasa izvozvi"
ndikati "pari bho mama" ndakabva ndakata
ndokumboisa musoro pasi.

Ndakatanga kubaya foni yangu ndakarara


kudaro ndikaenda pa WhatsApp ndikaona
paine message ya Tinashe yaive andibvunza
kuti "uri kurwara here babe" ndakabva
ndamupindura kuti "kwave nemwana babe"
yakabva ya ticker ka1 sezvo aisava online.
Ndakambotaura hangu nehama
neshamwari , Tinashe akabva auya online
achingovhura message yangu akabva
atofona ne video call ndikadavira
nyemwerero iri kugotsi.

"Nemakorokoto babe ko mwana rudzii"


ndizvo zvakaita ndichango answer video call
yacho ndikati "musikana uyu" zvikanzi
"ndoda kuona mwana" ndakabva ndamuka
ndikatora mwana kumuisa pamakumbo
ndokubva amuona zvikanzi "kunaka kutodza
mama ,saka anonzani ndidumidze hangu
zita here" akadaro ndikati "dumidza babe"
zvikanzi "Liesl" ndikati "woow riri bho
zvokuti ndaive ndisina kumbotsvaga zita
remwana. Ndarwadziwa kani babe ndanga
ndoda kufa. Paya pawafona ndairwadziwa"
zvikanzi "ndazokata call yacho ndaona kuti
ndakutotaura ndega. Zvino Liesl toda
akasire kukura tiite mumwe babe"
ndakabva ndapindurudza maziso ndichiti
"handichadi babe zvinorwadza"

"Kutokumbirawo chaiko babe tigoita


mumwe. Handichadi kuti utore nguva uri
ikoko ,mwana kana akubvumidzwa kufamba
naye ndobva ndakutumira mari wouya. Liesl
achamwa mukaka wechirungu anenge
asingachanwi wako ndinoda umwe mwana
babe" Inini nekutya ndakabva ndaramba
ndichiti handichadi but akandinyengerera
ndikangoti "tinozoita kwacho".

Takapedza kutaura ndokubva ndamborara


hangu. Ndakazomuka ndonzwa kamwana
kachichema ndokubva ndambomupa
mukaka. Paakapedza kumwa akabva arara
futi. Ndakazofonera Mona achibva ati
achauya kuzondiona. Akava manheru
ndikarara hangu.
Gogo vakazouya mangwana makuseni
ndokubva taenda kumba. Takatakurwa
nemota yekwa Mtemwa. Patakasvika
kumba vakabva vapiwa mari yavo
vakamboda kuiramba ndokubva
vazoitambira vakabva vaenda.

"Zvino baba vemwana havazodi mwana


here iye abuda kudai" vakadaro gogo
ndikati "handitombodi kunzwa nezvake
handi akaramba mimba anozoda mwana
nekuti zvadii mwana ndewangu ndega
haana baba uyu" ndakadaro ndonzwa
kutobhoikana. "Varume vanonetsa ava kana
mwana achinge akura unomuona ouya kuti
ndoda mwana" ndikati "haa ngasaita hake
mistake yekuuya achiti ari kumuda mwana
uyu , mwana ndewa Tina....." Ndakabva
ndabata muromo wangu ndaona kuti
zvandiri kuda kutaura hazvibudi.
"Ndi Tina upi iyeye" vakabvunza gogo
ndikashaya kuti ndodaira sei ndokubva
ndangofunga kuvaudza chokwadi.
"Aishanda pano uyu gogo akati anondida
nemwana wangu" zvikanzi "watotanga
musikanzwa Melissa sei usingapfidzi nhaiwe
unoda kupiwa imwe mimba" ndikati "handi
ari serious here gogo akandida nemimba
yangu uyu. Ndakaona kuti munhu ari right
ndian aizondida nemimba yangu but iye
akandida zvakadaro.". Vakabva vati "ah
kuwirirana kwenyu ini handichapindiri. So
ari kutii" ndikati "Ari kuda kugara neni ati
achazotumira mari yekuti ndiende kwaari."

*KIMBERLY*
"Iwe Dudu ukada kundiona sekuti dzangu
pfungwa hadzina kukwana unofira mahara
wanzwa. Ndiri kuda mari yangu wakajaira
zvisina basa iwe. Banga iro uri kuriona here
ndinoda kudhedha kadumbu ke mukadzi
wako dai ndakamutsika akafa mhani. Ndoda
kukupa lesson haundizivi zvakanaka"

Yaive message from Raster ,paive ne pic


rebanga raipenya zvisingaiti zvichinzi ndiro
rinoda kundicheka racho. Ndakaita
mudumbu ndichishaya kuziva kuti madhiri
apiko ari kutamba Dudu andisingazivi.
Shuwa munhu uyu aitoratidza kuti
akatsamwa. Ndakabva ndafunga mashoko
aPastor. Kana Raster ava vachiti vari kuda
kudhedha dumbu rangu so zviri kureva kuti
ari kuda kuuraya mwana wangu nhai.
Ndakaramba ndichibaya foni yacho
ndokusvika paive ne number dzaive dzaka
saver kunzi Shanty ,ndakavhura chat racho
ndokuona akasender hake ma nude
ndokubva ndatarisa kuti aive asendwa
nguvai ma nude aya ndikaona nguva dzacho
dzichiti asendwa kuma 5 makuseni.

Zvaireva kuti Dudu na Shanty vachiri


kudanana. Ini handina kana kumbozvifunga
zvekuti vangadzokerana. Ndaifunga kuti
Dudu akatomusiya zvamuchose ndisingazive
hangu kuti ndiri kutambwa yakapenga. Saka
kuramba musikana wake pamberi pangu
kwaakaita kwaiva kundivhara nhai.
Zvakandirwadza handidi kunyepa. Kana
mvura yandaida kutora mu fridge handina
kuzokwanisa kutora ndokubva ndagara pasi
ndichichema.

Ipapo ndakabva ndaona kuti ndiri


kupusiswa chaiko. Chimwe chaive
chondinetsa imsg ya Raster ,inini
ndakashaya kuti ndiri kupinda papi panyaya
dzavo. Ko kuzoti dai ndakamutsika akafa
aizama kuda kurevei nhai ,so zvaireva kuti
ndiye aive akanditsika kaa ndakaita kupera
simba kani.

Ndakanzwa Dudu akukweva tsoka dzake


achiuya ku kitchen ndikaramba
ndichichema achibva auya pandaive
zvikanzi "uri kuchemei nhai Kimbi"
ndakachema kusvika shungu dzapera.
Padzakapera ndokubva ndati "mwana
wangu ari kuda kuurawa atadzei nhai Dudu.
Madhiri apiko auri kuita" ndaive
ndakamutarisa achibva aita sekuti haasi
kuziva zvaari kuita akati "uri kutii nhai"
ndikati "Raster vaisa message iyi ndevepi
uye ndian? Mari yavari kuda ndeyei?"
Akabva ambonyarara ini ndaive nehasha
akati "saka ndopindura upi mubvunzo"
ndikati "handisi pakuseka newe ini daira
zvandabvunza"

"Babe wangu ,munhu uyu pane madhiri


andakaita naye akatadza kumafambisa bho
ndikamuudza kuti mari yako handikupi so
ndiyo yaari kunetsera" ndikati "ndeeyi
madhiri acho? Usandiudza kuti uri
kuchekeresa vanhu iwewe" zvikanzi "haa
kana ndave bhinya here babe
ndingachekeresa vanhu. Madhiri acho
haana basa aya babe" ndikati "haana basa
iye achiti ari kuda kudhedha dumbu rangu.
Wamboona banga raasender here? Handisi
kuda kunetsana newe Dudu tora mari
unomupa munhu iyeye zvekuda kuita noise
ne vanhu izvo ibva wazvirega hako."

"Ndazvinzwa babe ndichaita sekudaro"


ndikati "ko ma nude aya ari kubvepi? Iwewe
unombonatsoda chii chaizvo hauna
kuramba shanty ndakatarisa here but zviri
kundishamisa kuona mapic ake akashama
ndiko kudii nhai Dudu" ndakadaro paya
ndashatisa chiso changu.
"Kamunhu aka kanonetsa kusiya babe"
ndakamupa zenya rembama ndaive
ndobhoikana nemhinduro yake.
Kutondiudza zvisina basa hake anoti
ndinofila sei? Ndakashaya kuti Shanty
wacho iyeye anomboita manakirei chaizvo
waasingade kusiya. "haurevesi iwe
wandirovere chii? Hausati wakundijairira
here nhaiwe" akadaro achiratidza kuti
abhoikana ndokubva ndamunongedza
pahuma ndichiti "uri hure risingagoni
kuhura ,une mukadzi pano but
hautombozvifungi hako kungoti shanty
sender mapic unenge uchida kubony*ra
here ndiudze. Yako yakamboita maitirei
isingadi kurara inongoda kuramba
yakamiswa kunga yembwa. Nxa uri sascum
uri kuratidza kundidherera chaiko."

Ndaive ndofamba kuenda ku bedroom.


Ipapo ndaive ndofunga kumboenda zvangu
kumba. Zva Dudu izvi zvaive zvoda
kundikona chaiko munhu rudzii asingagoni
kudzikama. Zvoti chihure zvese kahumhondi
karipo why achinyanya kufarira zvemadhiri.
Ndiri ku remember pandakaona message
yaive yakanzi I'm done boss zvichireva kuti
munhu iyeye aive aita madhiri akapedza.
Ndakupinda pa door reku bedroom akabva
andibata ndikamusundira kure zvikanzi
"musikana uyu ndakadanana naye kare
shaa ,ende ndaive ne plan yekuda
kumuroora ndipo pawakazouya uchiti une
mimba yangu. Ndiri kuzama kuda kusiyana
nako but kari kunetsa aka kari kungosender
kega mapic handisi kumboti sender ini"
ndikati "ndaona kaa message yawakanyora
iwewe uchiti ndipo mapic waida kumadii.
Nezvako ndazviguta ini rega ndiende kumba
kwedu usare uchiita zvaunoda pasina
anokudziisa" ndaive ndabata monarch
yangu kuti ndiise hembe zvikanzi "babe
please ungandishooresa nadad vako.
Usadaro shaa ngatitaure tipedze nyaya
yacho handina kumbokuramba ini Kimbi"

"Shanty wakarara naye kangani Dudu,


zvekuvigirwa chirwere mumba muno
bodo." Zvikanzi "ka 1 chete babe ndisati
ndatombova newe. Hakasi kubvuma kuda
kurambwa" ndikati "Asi uchimuda hako
zvee" zvikanzi "ndomuda hangu asi kwete
zvekuti ndirambe ndichidanana naye"
"Saka uri kurevei? Kana uchimuda
ndokusiya hako zvee wonatsa kudanana
naye zvakanaka" akati "Aewa babe katori
kahure aka" zvimwe zvinomboita Dudu
zvinopedza simba chaiko."unondirwadzisirei
nhai Dudu. Mimba iyi ichabva chete nekuda
kwe bhipi yaunondipa ,haumbogutsikane
kuti une mukadzi mumba. Inga unondibata
wani pawanzwira kuda. Iwo madiro ako
ema nude handikunzwisise iwewe"
"Hakana babe , hapana zvandinomboita ini"
ndikati "okay ndokumbirawo utore mari
unopa Raster handisi kuda kunetsana
newe" zvikanzi "ndaisada but chirega
ndiende hangu" akatora mari yacho
ndokubva abuda akaenda.

Ndakatura mafemo , Dudu handimbozive


zvaanonatsa kuda chaizvo. Kuda kungogara
achindipa stress. Nguva iyi ndakamborara
hangu kuzorodza pfungwa dzangu. Ndaiti
Dudu achinja haachahure but
ndaizvinyepera. Kuda vakadzi kwacho
kunozonyanya,chinobhowa ndeche kuti
anosenderwa zvisina basa pafoni yaanoziva
kuti ndinobata ,dai aiti akaona hake mapic
acho obva adzima zvaiva nane. Zvino
anotosiya hake arimo kuratidza kusava
nehanya nazvo.

Dudu akazodzoka achiti amupa mari yacho


hameno kana aindinyepera hake. Ndakabva
ndaenda kunobika achibva anditevera
zvikanzi "handimbofari kukuona
wakatsamwa babe" akadaro achindibata
muchiuno mangu ndikaramba ndakanyarara
achibva ati "bvisa hako line racho babe
handichadi miyedzo ini" ndakabhoikana
ndikati "koiwe hauna maoko ekubvisa here?
Bvisa kaa urase line racho." Akati "okay
ndinobvisa ndaingoda kuti iwewe ubvise
wega" ndikati "ndisiye hangu kana
usingacharidi bvisa kana uchirida gara naro"
zvikanzi"hazvinzwaro mhani taura neni
zvakanaka handioni pandaresva kutaura ini"

Handina kuzodavira hangu ndikabika


ndikapedza ndokubva ndapakura tikadya.
Ndichipedza ndakanorara achibva aenda
kunogeza. Apedza akauya ku bedroom
akatanga kundibata bata ndikaziva zvaaida
ndikamupa. But handina ku enjoyer cz
ndaive ndakamutsamwira.

"Wangondipa zvekuti zvikubve" akadaro


achirara ndikati "why" akati "wakamboona
bonde richinakidza here kana umwe
akatsamwa" ndakanyarara hangu ndokubva
ndatorara. Ndarara kudaro ndakabva
ndarota ndina tete va Dudu vakatsvukisa
maziso vakabata mucheka we red newe
black nezai ravaive vakabata
muruoko ,zvakaita sekuti vaive vakabata
futi tsono vakatanga kutaura kuti "itoita
zvandiri kuda hako nekuti ukaramba
unogona ukuchema nazvo" vakadaro ini
ndokutadza kuziva kuti vari kurevei? Chiso
chavo chaityisa apa taive takatarisana
nguva iyoyo ndikati "muri kuti chii"
ndakabvunza vakati "enda unokwira mota
iyo" ndakatarisa mota yacho ndikaona
pasina asi ndakazoona pamberi pangu
pamira mhuka yandakatadza kuziva yaive
nezvimavara yakaita sebere kusaziva kuti
raiva bere here. Ndakabva ndatanga kutya
ndikamhanya kunomira kumashure kwavo.
Vakabva vandisundidzira paive nebere riya
ndikaridza mhere zvikanzi "kwira uyende
now" ndikati "kuenda kupiko? Ne bere irori
here?" Ndakadaro paya ndichichema
zvikanzi "kana usingadi idya nyama iyi"
ndakaona bere riya pasisina. Nguva
yarakaenda handina kuivona ini ndikati
"handidi nyama ini" vakabva vashatisa chiso
chavo ndokutora zai riya pavaive voda
kubaya zai riya netsono ndakabva
ndapepuka.

"Uri kurota here chinguri ndakuzunungusa


ipapa wanga usiri kumuka apa
watomboridza mhere , ihope rudzii babe"
akadaro Dudu ndichangomuka kubva
kuhope.

Ndakagara pasi ndokunatsa kudzeya hope


dzandaive ndarota. Ndakatya ini ndikashaya
kuti dzinorevei chaizvo. Tete ava ndaive
ndotofunga kuti vanoroya chete shuwa
kunditi kwira mota iro bere riya here? Ko
nyama yaiva yei chaizvo. "Ko haupinduri
here?" Akadaro Dudu ndikati "tete vako
vanoroya chete" ndakazoona ndapedza
kutaura kuti matauriro andaita haana
kunaka.

"Kuroya? Tete vangu chaivo here kana kuti


vako" akadaro ndikati "vako iwewe
vanganditi ndikwire bere wakambozviona
kupi. Kuda kundipa huroyi inini manje ropa
rangu haribvume" ndakadaro ndichiridza
tsamwa ndokudzokera kurara.

"Zvauri kutaura izvi uri kutanga wafunga


here nhai Mai Dee. Ungati tete vanoroya
wakavaona here" ndikati "Eheka , handiti
ndavaona kuhope vachida kuti ndikwire
bere ravo. Nyama yavaida kundipa ndeyei
pamwe ndeye vanhu. Hanzi hee kwira mota
uyo ukaramba unozochema nazvo ,chii
chacho chavaiti ndozochema nacho.
Ngavaroyere kure uko"
Dudu akabva andikwapaidza mbama
yakandionesa nyeredzi ndikaridza mhere.
"Maka tete vangu zvakanaka kwete kuda
kuvapa huroyi hwavasina. Vatanga kuroya
nhasi nekuti ndakuroora here vaidii kuroya
kare kese. Hauna kukwana uri benzi re
munhu. Wambovamakire chii? Vakutadzirei
nhaiwe" handina kudaira nekuti ndaichema.
Ndakati hazvina hazvo mhosva ,ko ndainge
ndatadza chii ipapa ini ndanga ndamuudza
zvandainge ndarota. Ndakabva ndatora foni
yangu kwakuisira mama message yekuti

"Mama mamuka sei? Ndine hope


dzandarota mama ndoda kuzokufonerai
ndikuudzei hope dzacho ndatadza kuziva
zvadzinoreva." Ndakabva ndasender.
Ndaida kunzwa zvinotaurawo mama pamwe
ndini ndaive ndamhanya hangu kufunga
zvisina basa.
"Ndikunzwe futi uchitaura zvisina basa
ndinokumamisa. Wandibhowa zvisingaiti
handidi kukunyepera ungati tete vangu
vanoroya iwewe asi unoroya navo kani."

*LIZZY*

"Ko kwakanaka here?" Ndakabvubza


mushure mekunge taramba takadzvokorana.
Vakamboramba vakanyarara vachibva
vazoti "koiwe nanhasi uchiri pano. Uchiri
kumboshandira ani" ndaida kuseka but
ndakaona kuti ndingapusisa mukadzi
mukuru ndikati "ndizvo zvamafambira here
zvekuda kundibvunza izvozvo" ndainge
ndatobhoikana nemubvunzo wavo. Vakabva
vapinda mumba ndikanodana baba Rea
vakati "ko ari kudei" ndaive ndavaudza kuti
Mai Dee vauya ndikati "handisi kuziva"
zvikanzi "ko handi zvinhu zvake akatora
ngasandijairira ari kuramba achidzoka
pamba pangu kuti zvidini. Handidi kumuona
uyu muudze kuti abve pano" vakadaro
vachidzokera kurara ndikaenda kwaiva
namai Dee ndikati

"Hanzi muri kudei" zvikanzi "ndoda kutaura


navo varegerei kuuya kuno." ndikati "manje
vari kuramba ka" vakabva vasimuka
vakaenda ku bedroom kwaiva na baba Rea
ndikanzwa kutsva kani kwakubva ndatevera
ikoko ndikapinda mu bedroom ndikagara
pabed. Mai Dee vaive vakagara pa chair
ende vakabva vavhurisa ziso ndokuramba
vakanditarisa zvikanzi

"Ko uri kudei muno Lizzy" vakadaro


vachitoratidza kuti vari kusvotwa zvikanzi na
Samaita "uri kudei muno kuita sei kwacho
taura zvawafambira." vakadaro zvikanzi
"ndoda kutaura nemi tiri vaviri" vakadaro
zvikanzi "kana usina nyaya buda mumba
mangu. Une mhepo here iwewe
chaunoramba uchidzoka pamba pangu chii?
Wakasiyei chako pano inga wakatora zvose
wani"

"Baba Rea please dzora moyo murume


wangu ndabvuma kuti ndakatadza
chindiregererawo." Ndakabitirirwa kani
ndokutanga kubwaira maziso angu.
Ndakatarisa baba Rea avo ndikaona
vakashama muromo wavo ndokubva
vadzungudza musoro vachiti "unopenga
mukadzi iwewe nezvako handidi ini ,uri
muroyi chaiye wakauraya mai vemwana
wangu , mukadzi wandaidisisa
ukandiurayira nhasi woda kunditi sorry
ndaisambokuda ini Mai Dee but
wakandishandisira mushonga. Kukunyenga
kwandakakuita ndaizama kuda kuona kuti
ndinobara here nekuti mukadzi wangu
akanga aita nguva asati abata pamuviri
ndikafunga kuti ndine problem izvo kana
nguva yakanga isati yakwana."

Vakadaro baba Rea ndikasekerera hangu


mumoyo nekuti mai Dee vakanga vasisina
chance apa. Chihwa ndiye akanga ane
mukana wacho wekupa baba Rea rudo.
Ndaingoti neche mumoyo mangu rambai
makadzvanya ipapo ko handi ndaive ndotya
kutotorerwa Samaita wangu ivo vaine rudo
runobvira semoto.

Ndakaona mai Dee vopfugama pasi ini


ndokubudisa ziso ndichishaya kuti zvazvipi
futi zvoitwa izvi. "Baba Rea , ndabvuma
wani kuti ndakakanganisa" zvikanzi "ndati
buda muno hausi kunzwa here? Ita
zvekukasira handidi kunyangadzwa ini.
Unondiona sendakapusa ini." Mai Dee
vakabva vakwesvaira vachibuda ndokubva
ndatevera mumashure mavo. Vakabva
vamira zvikanzi "Nhai Lizzy ,asi uri kudanana
na baba Rea" ndakakasira kudaira ndoti
"Ehe" vakabva varamba vakanditarisa
zvikanzi "une shuwa?" Ndikati "Yes ,asi
ndatadza kani. Handiti havana mukadzi
here" vaive voda kubudisa misodzi vakasira
kuidzosa zvikanzi "ukagara navo uti Mwari
kudzwayi" ndakabwaira kani ndikati "muri
kutiiko?" Zvikanzi "wazvinzwa" vakadaro
vofamba kuenda ndikati "Haa ,handimbotyi
mushonga ini. Itai zvamunoda zvese but
hamundigoni" mashoko avo akandityisa
kani ndakangoshinga hangu kudaira
zvandinoda but ndaive ndotya. Ende
vakaratidza kundijairira chaiko vakadaidzira
kuti

"Uri kamwana kadiki iwewe


haumbondinetsi" ndikati "Anouraya munhu
ndi Mwari" ndakabva ndadzokera mumba
ndikaona baba Rea vakagara zvikanzi "sorry
zvako mukadzi wangu zigadzi rinopenga iro
kuda kundishaisa mufaro wangu" ndikati
"zvatopera Samaita" vakabva vati tinogeza
ndokubva taenda hedu asi ndaitya kani ko
ndaive ndakambozviita kupi. Vakabvisa
hembe ini ndakamira ndichishaya kuti
ndodii. Pandakaona blambi yavo ndakahuta
kani , murume akatakura iyeye ,kukura zvoti
kukora yoh ndakashaya kwekutarisa
ndokubva ndavhara maziso angu.

Ndakanzwa voita kakusekerera ndikanzwa


vofemera mugotsi mangu vakatanga
kundikurura hembe ndikasara ndiri musvo.
Vakabva vaswedera pedyo pedyo nemagaro
angu ndikanzwa ichindirova rova magaro
angu. Ipapo ndakanzwa ma feelings angu
achinatsa kuuya. Vakabva vanditi mbaa
mazamo angu kwakubva vandikisa muhuro
ndokundizevezera kuti "ngatigeze mukadzi
wangu tinozvipedzera ku bedroom."
Takabva tatanga kugeza asi ndainyara.
Vakati vapedza kugeza zvikanzi "geza zvinhu
zvako zvichene" yaive yakangomira
ndikaigeza. Takapedza kugeza ndokuenda
ku bedroom kwandakasvika
ndichishanyariswa pabed. Ini ndaive
ndapera zvangu kare zvekuti zvese zvavaive
vondiita ndaive ndisingachazvinzwi zvikanzi
"rega ndikupe mwana babe , Rea anoda
kamupfanha" vaive votaura havo voga
hapana chandaimbonzwa.

"Yohweeee kani ,Aishiiiii"

*End of chapter*

*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/K8YfA6klTX9F2J
TYPuluAq

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536
*CHAPTER 53*

*KIMBERLY*

Dudu akabva ayenderera mberi achiti


"zvawaita handizvidi kimbi.Ende muromo
wako uwowo handisi kuda kuunzwa futi.
Unoti vanoroya wakambovaona vachiroya
here nhai mai Dee. Usadaro shaa" he said
ndikati "why uchivanunura nhaiwe ,sei
vanga vachinditi ndikwire bere
wakamboona bere rinogadwa here harisi
dhongi-ka.Bere rinokwirwa nemuroyi kwete
neni handisi muroyi ini. Ndatadza here
ndakuudza hope dzandarota." Ndaive
ndatonyangadzwa nembama yaive andirova.
Akaita kundiridza chaiko ndainge
ndongopuruzira dama racho ndichinzwa
richiswinya. Akabva aridza tsamwa
ndikaenderera mberi ndichiti "Inini
zvekupiwa huroyi handitombode hangu
ngavatambire kure neni. Ziso ravo ndaive
ndakariona ini kuti havana kumira
zvakanaka." akati "wakujairira uri kuramba
uchitaura nyaya iri kundibhowa ndakuudza
kuti chii? Unoda kurohwa iwewe dai isiri
mimba yaunayo ndaida kukukwatura chaiko
haunzwi. Ndinonzwa sei kana uchiti tete
vangu vanoroya. Dai vairoya dai
vakandiroya kare. Kana zuva rataenda
kumba kwavo paya dai vakakuroya kaa nhai.
Utaure kwawaswera iwe uri benzi haufungi
unongoti chero zvauya mumusoro
wototaura."
Handina kuzodavira nekuti aitosaidhira
zvake tete vake. Kutaura chokwadi ndaive
ndatovenga tete Edina. Edina ndiro raiva
zita ravo. Ndakadzokera kurara
ndichingozvinetsa hangu ende hope dzacho
hadzina kuzombondishanyira
ndikatoedzerwa ndakagara hangu.
Kuchiedza ndakamuka kugeza ndichida
kuenda kumba kunotaura na mama nyaya
iyoyi. Ndapedza kugeza zvikanzi "uri kuda
kuendepi mangwanani akadai" akadaro
ndikati "kumba kwedu" ndakadaro
ndichitarisa hembe yangu yekuchinja
ndikanzwa oti "Saka hautode kutsiurwa
zvee" he said ndikati "handisi kuda
nemashoko angu Dudu. Imbondisiyawo
ndifemo,uri kuda kumutsiridza nyaya
yakapera manheru. Handi wakati havaroye
saka chiri kunetsa chii?" Ndainge
ndotokwidza voice. munhu anoda kundiona
sendisingafunge andimude hangu. "une
problem kumba uri kuda kunoitei" akadaro
ndikati "Asi handichabvumidzwe kuenda
kumba kwedu kani" akati "ndambodaro
here ingodavira zvandabvunza. Plus handisi
kuda kuti uyende. Unoda kunoitei
kwatakabva zuro uno" ndakabva
ndabhoikana ndikati "Dudu zvekuti
ndikukwidzire voice handisi kuda.
Unondirambidza kuti zviite sei." Akati
"handi ndiri murume wako here unofana
kutoita zvandinoda."

Ndakasunga wangu muromo ndikatora ka


handbag kangu ndikati "toonana manheru"
ndakadaro ndobuda kuti ndiende achibva
adanidzira kuti "haisi problem yako hauna
kugadzirwa chipande" moziva ndaisava
mood yekuda kuseka but ndakabva ndaoma
nekuseka kuita kubudisa misodzi chaiko.
Kana ndaiti ndakambonakirwa kaa
ndainyepa ,Dudu akandinakidza kani
handina kuziva kuti ari kuda kuzama kurevei
ndokubva ndati "kana washaya zvekutaura
haugoni kunyarara here kuda kungonzi
wataura chete uchitaura zvisina musoro."
ende haana kudaira ndikabva ndaenda.
Ndaifunga kuti ndichanzi tora mota uyende
nayo but haana kudaro. Handina kuita basa
nazvo ini ndokubva ndanokwira mota
kuyenda. Ndakasvika mama vachibika
breakfast ndokubva ndavamhoresa vakati
"kwakanaka here wamukira kuuya kuno"
vakadaro pataive tapedza kumhoresana
ndikati "kwakanaka asi message yangu
hamuna kuiwona kani" ndakadaro
ndichidhonza cheya kuti ndigare nekuti
kuramba ndakamira chiuno chaive chopisa
vakati "handina kumbobata foni ini ,zve foni
zvacho zvinenge zviri kure neni. Ko kwaitei
uri kuratidza kuti une nyaya" vakadaro
vodhonza cheya vachibva vagara pasi
ndokunditarisa vamirira kunzwa.
"Hope dzandakarota mama hadzina
kumbondiitira ini. Ndakarota tete vaya
vatakauya navo pamarooro vachinditi
ndikwire bere nhai zvenyu zvinoita here
izvozvo. Handitozive kuti vaiti ndikwire bere
racho ndiendepi naro. Manje ndamuka
kuudza baba Dee hope dzacho vabva
vandikwatura mbama"
ndakadaro ,ndakazopedza kutaura mama
vabudisa ziso vachiratidza kuti vari
kushamisikawo nazvo. "Ukakwira bere
unenge wakutodzidziswa kuroya kaa ,
hadzina kunaka hope dzako mwanangu
vanoda kuroya newe ava manje dzazopera
sei hope dzacho" she said ndokubva
ndambotura mafemo ndichifunga kuti saka
zvandaifungira zviri right ndikati
"ndazopepuka voda kubaya zai netsono
hameno vaizama kuda kudii kuhope ikoko"
ndakadaro ndotopererwa chaiko vakati
"hezvoo!! ,zvauchaurayirwa mwana nhai.
Pane zvavari kuda tete ava.
Usambovasekerere ende dzidza kurara
wanamata zvekuti dai zai iroro rangoputsika
waimuka pabed pazara ropa. Inga zvakaoma
veduwe vanombodei chaizvo. Koiye
murume wako akurovere chii?" vakadaro
mama ndikati "ndamuudza kuti tete vako
vanoroya achibva atsamwa kwakundirova"
vakati "mamwe mashoko unaona ekutaura
kune murume mwanangu dai usina kutaura
word rekuti kuroya ane akutoona sekuti
wakavenga tete vake." Ndikati "ndaive
ndatsamwa ini mama" vakabva vaenda ku
bedroom kwavo vachibva vadzoka vakabata
chipepa hameno maiva neyi zvikanzi "bute
iri kana worara unomwaya mumba kana
tete ivavo pane zvavanoda kuita zvinoshaya
simba. Handidi kuurayirwa muzukuru
wangu. Kana murume wako asina problem
nazvo zvekushandisa bute izvi ibva waita
zvekuripisa mumba uye uchitukirira mweya
yetsvina iyende kure uchitaura zvaunoda
kuti ndoda kubata chipenyu uye ndoda
kupona zvakanaka ndibate mwana
wangu ,wanzwisisa handiti unotaurawo
nezvimwe zvaunoda"

"Maita basa mama ndichisvika kumba


ndochekutanga kuita izvozvo." Vakabva
vapedzisa kubika ndokubva tadya hedu.
Dad vaive vaenda zvavo kubasa. Nguva
dzakafamba ndokubva ndadzokera kumba
ndikasvika Dudu akarara ku bedroom
ndikati "maswera sei?" Ndakanyararirwa
ende handina kumboita basa nazvo.
Pandaive ndoda kuenda ku kitchen kuti
ndinobika achibva ati "watofambisaka
shoko rekuti tete vangu vanoroya" he said
achimuka ndikati "izvozvo ndozvawagona
kutaura wadii kudaira pandakusweresa"
ndakadaro ndichienda ku kitchen.
Zvekunetsana naye ndainge ndisingadi
hangu asi ndakatoona kuti ari kuda
kunditokonya. Pasina nguva ndakaona
anditevera achibva ati "sei usingaiti
semunhu mukuru kimbi" ndikati "siyana
neni Dudu unoda ndiite semunhu mukuru
pakudii. Uri kumbozama kuti ndiite sei"
akati "watonotaura ka kuna mama vako kuti
tete Edina vanoroya" ndakaseka hangu
zvekumusvotesa ndokubva ndaita
zvandaiita ndikanzwa oti "kuroya kwacho
unenge unokudawo iwewe" ipapo
ndakanzwa hasha ndokuti "vanhu vekwa
Cheza kuda kundipa huroyi mundisiye
zvangu ndakabarwa ndisingaroye ini udza
tete vako kuti hanzi hokoyo neni kana
vakada kuita zvekutamba neni. Unomboziva
kuti munoripiswa here nenyaya iyoyo ,
chavanoda kundipira huroyi chii? ,vaona
ndakafita kuroya here? Nxa usada
kundidenha mhani. Zviri pachena seshure
yembudzi kuti tete vako vanoroya."

Kana kubika kwacho handina kuzoda ini


ndokuenda ku bedroom kunozvivatira
hangu. Iye akabva angotevera asina
zvaataura akati "handisi pakunetsana newe
babe pamwe hope dzacho ndedze chokwadi
handichazivewo ini. Wadarirei kuda kuti
satan kapinde mumba muno" he said
ndikati "saka ndini ndinopinza satan mumba
manje" akati "Aewa babe ndiri
kungotaurawo , ndiri kuzama kuti
usapopota" ndikati "wakuti ndisapopote
but kuseni wandirova kuita sezvinonzi
ndaresva kutaura"Dudu ainzwisa hasha uyu.
Anoda kungoti zvaanotaura ndizvo zviri
right zvandinotaura hazvina musoro.

"Sorry babe,am really sorry


ndangobatwawo nehasha paya
ndiregerewo babe" akadaro achibata chioko
changu kuda
kundinyengerera."wandiregerera here"
akadaro ndikati "zvapera kudhara ndaive
ndisina kutsamwa but ndiwe wamutsa
nyaya yaive yapera kare."
Ndakabva ndaenda kunoshandisa bute riya
sekutaura kwaive kwaita mama.
Ndichipedza ndakabva ndatonamata
ndokuchizoenda hangu ku bedroom
kunorara. Mangwana ndaida kumuka
ndichienda hangu kuchipatara
kumbonotariswa sezvo mazuva aive akuita
achiswedera. Kuchiedza ndakangomuka
kwakutonanga ku clinic kwandakasvika
ndichitariswa ndikaonekwa pasina
chakashata mwana ainzi akatogara
zvakanaka. Pavakapedza kunditarisa
ndakabva ndadzokera kumba.

"Ndoda kunotenga hembe dze mwana"


ndakadaro ndichiudza Dudu akati "hapana
chakaipa babe hande hedu ku town kwacho
but wakuda kubara here wakutsvaga
hembe dzemwana" ndikati "mazuva acho
ave padhuze inogonaka kuzongoruma
ndisina kana chekupfekedza mwana."
Ndakadaro ndokubva taenda ku town.
Takatsvaga hembe dzemwana wedu
tikapedza ndokubva tadzokera kumota
ndokubva tati dhuma dhuma Rea.

*REA*

Ndakanga ndogara ndichitukwa ndichishaya


kuti chandatadza chacho chii chaizvo. Ende
mimba ya Dee yaive yakandivenga
zvekurevesa. Ndaishaya kuti ndoita
zvekudini kuti ndisavengwa. Chero ndikaita
zvakanaka ndaingotukwa. Taigona
kungowirirana zvenguva diki diki ototanga
kundimara mara hake. Haa mwana
akatakurwa na Dee kanenge kamuchinda
chaiko. Nekuti ku bedroom uko ndaive
ndamusuwa but ndaisapiwa zvinhu
zvekudaro. Ndaizama kunyengerera
nepandinogona napo asi aibva atonyanya
kuomesa gotsi hake. Handaimbotsamwa
nazvo ini nekuti ndaitoziva kuti imimba iri
kumudaro ende ndakadzimara
ndatozvinetera zvekumukumbira zvacho.

"Ndoda kumbonoona gogo ,pamba pano


pari kubhowa" akadaro akarara hake
pamubhedha asina kupfeka hembe. Hembe
dzacho dzaimbodiwa here aitogara
akashama. "Okay , ngandikuperekedze"
ndakadaro achibva afara kwakuenda
kunogeza ndikasara ndichimbotaura zvangu
nevanhu pa WhatsApp. Achipedza akapfeka
chi dress chake ndokubva ati "ndapedza"
ndakabva ndatora makiyi ndokubva taenda.
Takasvika gogo vari kuseri kweimba
vachidiridza murivo wavo ndikati "vari
pabasa" ndakadaro hangu , Dee akabva
ambundira gogo vake achioneka kuti ari
kufara zvikanzi "haa kumbodiridza
zvimuriwo zvangu izvi" ndikati
"ndizvozvo ,munofara here gogo irisei
muviri yenyu" vakati "ndiri nane ini
muzukuru kungodaro daro nenyama
dzeedu" vakabva vati tiende mumba
ndokubva ndatoti "handichapindi mumba
gogo regai ndimhanye kuenda kwandiri
kuda kuenda uko" ndaida kuenda ku town
kunotsvagira Dee zvekudya ,ma fruits
andaive ndakamutengera aive
akatomapedza. Aiswera achingodya ma
fruits. "Zvakanaka muzukuru wangu"
ndakabva ndatobuda gedhe ndokuenda.
Dee haana kunditi bye-bye daddy aive atova
busy kufara nagogo vake ndikaziva kuti
mimba iyi iri kuda gogo maningi.

Ndakaenda hangu ku town kuya ndokubva


ndanhonga zvandaida. Pandaive
ndakudzokera kumota yangu ndakabva
ndadhumana na Dudu na kimbi ndikatadza
kuziva kuti vanogara vose here nekuti vaive
vakatungamidzana vachienda kumota.

Kimbi paakandiona akabva atouya


kwandaiva, handina kumboita dzungu
ndakabva ndadzikama ndichida kunzwa
zvaaida zvacho.
"Hi ,Rea"
Akadaro achangosvika pandaiva ndikati
"Urisei" akati
"Ndiribho ndokumbirawo kutaura newe"
she said
"Taura" ndakadaro ndatoteya nzeve akati
"sorry hako Rea pane zvandaikuitira zviya
kwaiva kusatoziva kuya. Wondiregererawo
handidi kuti undivenge Rea" akadaro kimbi.
Aive atova nenhumbu yakanga yakura. Asi
andina kuziva kuti ndeyani mimba yacho
ndikati "handina kumbotsamwa ini
handichengete chigumbu zvakatodarika
nenguva yacho. So uri kugara na Dudu?"
ndakabvunza ndichida kutonzwisisa ipapa
akati "Ehe ,takarorana"
ndakatombovhunduka nekuti Dudu aiti
hachafe akada kimbi ndikati "iwe saka
waida kundipa mimba ya Dudu" ndakadaro.
Dudu wacho akanga aenda kumota haana
kuda kundimhoresa ini handina kuda
kumboitawo basa naye ndakangoti
ngazviende handina nguva yekunyengerera
munhu. Munhu andingatonyengerera
mukadzi wangu chete kana tabhaizana
kwete vamwe vose ava handinei navo.

"Sakei ndati sorry shaa ,hongu yaiva mimba


ya Dudu. Arisei mukadzi wako unomuti
hanzi sorry nekusawirirana kwatakamboita"
ndakabva ndaona kuti kuita shamwari
kwakaipa ,dai kimbi akabudirira kugara neni
ndaitochengeteswa mwana we friend yangu.
Sakei zvichinzi usavimba nemunhu
chokwadi aive azviona munhu iyeye. Dudu
ndaimuona sa best friend yangu chaiyo
ndisingambofungiri zvakaipa. Ende
ndakabva ndaona kuti chimwe chokwadi
Dudu aichitaurira muma jokes but ndaingoti
zva Dudu here ndezve kungwarisa
ndisingazive kuti ane maths dzake.

"Wanyanya kurivara neyi" akadaro kimbi


ndikati "argh , sorry mhani. Saka irisei
marriage yako" ndakadaro akati "iri bho
zvayo unofarisa madam rega ndiende Dudu
angatondibudisira ziso" ndakabva ndaseka
hangu achibva ayenda. Kimbi aive atochinja
dzungu riya nekupaparika zvaive zvapera.
Pandaive ndoenda kumota , Dudu akabva
andiwevhera ruoko ndikaitawo sezvaive aita
ndikapinda mumota ndikaenda. Ndiri
muroad kudzokera kumba ndakabva
ndafunga kumbosvika kubasa. Ndakabva
ndatorova mota ndakananga ikoko. Ndisati
ndasvika kubasa ndakabva ndafonerwa na
Dee ndikadavira zvikanzi "uri kuuya
kunditora nguvai" ndakamboda kuseka but
ndakazotya kutukwa ndokubva ndasekera
kumoyo ndikati "ndinouya babe waneta
kutamba nagogo here" ndakadaro achibva
ati "Ehe,ndakusuwa ukasire kuuya
kunditora" ndisipo ndipo pandinodiwa asi
kana ndava naye ndinonzwa nekutsunyiwa
ndikati "ndouya babe wangu" zvikanzi "okay
Daddy" ndaive ndane nguva ndisingaitwi
kunzi dady. Munhu wacho dzaitouya chaiko
zvekuti kana une chiramwa unotombotiza
pamba pacho kuenda kure chaiko.

Akazokata call yacho , ndakasvika kubasa


boys rikatanga kundikwazisa ndikadavira
ndichibvunza kuti "zviri kuhamba here
boys" vakati "zviri kuhamba boss."
Ndakabva ndambozeya ndiripo
ndichivarairwa hangu ne boys raishanda
basa. Ndakatomboita nyaya navo ndokubva
ndazofunga kuenda kunotora Dee. Pandaive
ndoenda kumota akabva andifonera futi
ndika ignore call yacho. Ndaiziva kuti anoda
kubvunza kuti hausviki neyi ndosaka
ndakanyarara hangu. Ndakasvika kumba
kwa gogo achibva andimhanyira ndikamu
hugger ndikapiwawo tsvodi pamuromo. Iyo
yandainyimwa kana ndakumbira zviya asi
musi uyu ndakaipiwa ndisina kukumbira.

Takabva tatooneka gogo tikadzokera kumba


kwedu. Tichingosvika Dee akabva atodya
ma fruits ake ini ndaive ndakaguta hangu
sezvo ndaive ndambodya chikafu chandaive
ndatenga ku town. Apedza kudya ndikanzi
handei tinogeza." Takabva taenda kunogeza
kwacho ndikambokweshwa man'a angu.
Haa musi uyu zvaiva kure kani
ndaitombopiwawo zvirudo. Patakapedza
kugeza takabva tanozora mafuta ndokubva
ndatozvambarara pamubhedha akati
"hamudi kusimbisa mwana here daddy"
ndakasekerera veduwe nekuti ndaive
ndanzwa kuda mukadzi wangu but
ndisingapiwe. Ndakadya zvinhu zvangu
ndikanzwa zviri nane asi ndaive ndichiri
kunzwa kuda. Zvikanzi "maita basa daddy ,
ndanzwa parere moyo" I smiled ndakatarisa
mukadzi wangu ndichishaya kuti ndi Dee
uya here ndikati "ndinotenda iwe babe
wambondisunungura" akabva aseka hake
achizvipukuta ndokubva andipukutawo ,
takabva tatorara hedu.

Mangwana makuseni ndakamutswa na Dee


zvikanzi "morning daddy" ndakabva
ndashama n'ai ndichiti "mushe babe urisei"
akati "ndiribho" akadaro achitora ruoko
rwangu kubatisa dumbu rake ndikanzwa
mwana achikika ndikafara kani akati "abvira
kare achikika uyu kubva kuma 4 kana hope
dzacho hadzina kuzombouya achingo kicker.
Pamwe pacho ari ku kicker zvinorwadza"
ndikati "sorry babe ndichakarova kana
kazobuda" akabva aseka achiti "kari ku
kicker ma side ose" ndikati "chirudzii nhai
babe" akati "hameno ,ma side ose ari ku
kickwa" akadaro achimuka.
Ndakabva ndatomukawo kunogeza
ndikapedza ndokubva ndanogadzira chikafu
changu. Dee akanga asisina basa nechikafu
aingodya ma fruits ake kana polon
nezvimwewo zvaingova mu fridge.

*End of chapter*

*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Ios8pJVRKQMH
lNt7dCSxKE
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 54*
*KIMBERLY*

Pandakabva kunoonana na Rea


ndikadzokera kumota ndikaona Dudu
akafutisa matama. Hameno akanga
atsamwei chaizvo. Ndakada kubvunza but
ndakazotya kuudzirwa mashoko. Hapana
chandakanga ndichada kuna Rea ini
ndaingoda kumuti sorry chete
zvotopera.Dudu akamutsa mota anyerere
hake ndokubva taenda. Pataive takusvika
kumba akabva amira. "Pfungwa dzako
dzichiri kutoda Rea kaaa" akadaro
ndikapererwa. Ndakazoona kuti saka ndizvo
zvaaive atsamwa zvekuti ndaenderei
kunoona Rea. "Haa maya" ndakadaro
ndichiramba achibva anditarisa zviya zvine
mutauro akati "so waida kunodii kwaari"
akadaro ndikati "kunokumbira hangu
ruregerero ,koimi muri ma friends why
usina kuda kuita nyaya naye" ndakadaro
nekuti zvakatondishamisa nekuti havana
kumbobvira vataura vose.

"Tamhoresana wani" akadaro ndikabva


ndanyarara achibva andiisa pa chest pake
zvikanzi "unomboziva kuti unodiwa na Dudu
here?" He said ndikadaira nemusoro
akaenderera mberi achiti "madiro
andakukuita now akanyanya babe ,paya
patakatanga kudanana uri ku school
ndaisatonyanya kukuda pana ikozvino
unodiwa zvakapetwa kashanu babe. You're
my everything sweetheart. Uri kuchinja
hupenyu hwangu babe ndiri munhu aingoda
zvekunakirwa chete ndichitambisa vana
vevanhu ndichingoda makumbo asi ikozvino
handichazvinzwe zvichireva kuti ndiwe
wakandichinja babe ,ka shanty kaya
ndakarara nako kamwe chete aka babe
ingadai ndisina kuchinja ndaitogona
kutokachokocha everyday ,usanditsamwira
babe ndiri kuzama kuda kukujekesera kuti
uwone kuti ndachinja. Ndinofunga unoziva
zvandaiva babe ndaida bonde zvisiri
pamutemo zvekuti kungojamba chete
musoro waitorwadza chaiko. Handaifunga
kuti ndichatovawo munhu anosiya zvakaipa
but nekuda kwako ndachinja babe zvose
ndasiya ini ndakuda kuita zvemhuri yangu.
Kana doro handicharide babe ndiro rimwe
rinovhiringa pfungwa dzangu. I love you mai
Dee ko mutupo chii?"

"Dziva"i said

"Okay Masibanda ,unondidawo here babe


sekukuda kwandave kukuita" he said ndikati
"zvakanyanya babe handikwanise
kutsanangura madiro andinokuita"
ndakadaro akati "thanks babe" ndakabva
ndazvibvisa pa chest pake ndokubva
ndagara zvakanaka achibva amutsa mota
tikaenda kumba. Pandakasvika ndakananga
kunogeza nekuti ndaive ndonzwa kutsva
chaiko. Ndapedza ndakanorara
ndikazomutswa na Dudu achiti "wanyanya
kurarisa chimuka." Ndakabva ndatomuka
kwakugara pabed ndakazembera madziro.
Dudu akabva afonera mai vake ndikatoti
ndoda kutaura navo ,iye akataura navo
nguva diki ndokubva andipa foni yacho
ndikati "hello mama makadii henyu"
zvikanzi "ndinofara makoti wangu kurisei
kumba ikoko"ndikati "kunofara zvako
munouya rini ndoda kukuonaiwo" vakabva
vaseka vachiti "ndinouya kana kwane
kamuzukuru" ndikati "zvakanaka mama"
ndokubva ndakata call yacho. "Wafara
zvee" akadaro Dudu ndikati "Ehe"

Mazuva akafamba ndaive


ndisingachanetsane na Dudu,taive togara
zvakanaka mumba muine mufaro kana tete
Edina handina kuzombovarota zvakare.
Ndakaona kuti bute riye rakashanda kwazvo.
Ndaive ndakutoona kuti marriage
inonakidza kubudikidza nemufaro wakange
wamumba mangu. Dudu aive ondiyemedza
zvisingaiti achinditengera tunonaka achiti
ndoda mwana akure zvakanaka. Haa
ndakaona kuti mwana anodiwa kudarika ini.
Rimwe zuva ndakarara ndakangonzwa kuda
Dudu zvakanyanya ndokubva
ndatomumutsa ndikamukumbira zvandaida
achibva amboda kuramba nekuti aiva
nehope. Ndakaramba ndichimunetsa
akaramba achiti "hazvichaiti babe tarisa
zvaita dumbu rako ini ndakutya hangu. Ko
iwe wambonyanya kuda kudaro neyi"
akadaro achibva atodzokera kurara. Ini
nezvandainzwa zvakaita kuti ndirambe
ndichimunetsa dzamara azoshingirira
kwakufadzana hedu. Ndakabva ndatorara
ndikazopepuka futi ndichinzwa ka pain
kairwadza neche pakati pemusana.
Ndakambozvi ignore ndikanzwa
zvichiwedzera kurwadza. Zvakanga zvakuti
nepazasi peguvhu paiita sepano baya baya.
Ipapo ndakabva ndamuka kwakuenda ku
bathroom asi andina chandakaita ikoko.
Ndakapinda kwakungomira ndatoshaya
zvekuita.

Ndobuda mu bathroom muya zvikati


zvatanga futi ipapo zvakanga zvava worse ,
ndakashaya kuti ndoridza mhere here
kwakungogomera hangu ndakabata musana
wangu.
"Babe!!!!"
Ndakanzwa Dudu achindidana ndakaziva
kuti amuka sezvo aive akarara ndokubva
ndadaira asi zvaitova zvekuzvimanikidza
nekuti ndaisada kutaura nguva iyi. Dudu
akabva auya kwandaiva akati "hindava babe
kumuka husiku hwakadai? Wapererwa
nehope here" akabvunza Dudu
ndikangodaira nemusoro. Zvekuti ndiri
kurwadziwa handina kumuudza nekuti
ndaisada ashungurudzike. Ndakakweva
makumbo angu ndonanga ku bedroom.
Kuda kuti ndiise rutivi rwangu pasi ,pain iya
ikati hausati watanga, kunzwa kunatsa
kusungwa pakati pemusana. Ipapo
ndakaudza Dudu"ndarwara ini Dudu"
ndakadaro ndichikotama ,apa makumbo
aive ohuta zvawo. Kusaziva kuti chakanga
chava chii.

"Chii chiri kurwadza babe" akabvunza Dudu


ndikabata pasi peguvhu nemusana , kutaura
ndakanga ndisingachadi ndokubva ati
"zvatanga nguvai?" Ndakasvotwa kani
ndokubva ndamupa zenya rembama. Hasha
dzacho handina kuziva kwadzakanga
dzobvawo. Dudu haana chaakataura.
Ndakazoona mvura yobuda zasi kwangu
ndokubva ndatogara pasi. Dudu akanga
oshaya kuti odii ndokubva anditakura
kwakuenda neni kumota. Takaenda ku clinic
husiku ihoho ,apa ndakanga ndotadza
kufema ukuwo ndichinzwa kutsva.

Tichisvika kuchipata handina kunonokerwa


ndikaiswa pabed ndokubva ndatonzi
ndipushe ndikaita sekudaro.
Ndakazongonzwa kuchema kwe mwana
ndikaziva kuti ndazvipedza. But hapana
kuita nguva ndakanzwa ka pain kaya
kotanga kurwadza futi ndikatariswa zvikanzi
"kune mumwe ari kuda kubuda"
ndakapusha paya ndokubva kamwana
kabuda ndikangonzwa kuchema kamwe
pakaive kabuda ndikasara ndakati rabada.

Nguva yekuti ndipiwe vana vangu yakasvika


ndokubva kwauya 1 chete ndikatadza kuziva
kuti mumwe wacho aendepi. "Umwe wacho
aripi nhai nurse" ndakabvunza paya
ndatobudisa ziso. Ndainatsoziva kuti
ndabudisa vana vaviri asi zvakabva
zvandinetsa kuona ndopiwa mwana 1 chete.
Ndakaona chiso cha nurse chisiri
kumbofara ,vaive vakatosuwa zvikanzi.....

*CLEOPASS*

Ndichibva kubasa ndakananga kubhawa


kunohusvusvura hwahwa. Zvekumwa izvi
ndizvo zvaive zvangu ende ndaidhakwa
mboko futi.Ndaiti ndadhakwa ndainzwa
hasha kunzwa kuda kumamisa munhu
chaizvo,asi chaizondibhowa hapana aida
kundidenha. Hasha dzacho ndaibva
ndanodzipedzera kuna Annah , mwana
akanga anzwa nekurohwa neni ,asi ndaiti
doro rapera mumusoro ndaibva ndatanga
kudemba kuti asi ndiri kuitei mukadzi
wangu. Izvo zvakazoita kuti Annah atize
kudzokera kumba kwavo. Handina kuita
basa nazvo ndakatoti wagona ,imwe
pfungwa yaiti tevera mukadzi wako.

Ndaitomboita nguva yandinofunga


nezvake ,pana Annah hapana chaishoreka
but ini wacho handizive chainatsa kuitika
pandiri. Zuva rakadzoka Annah
ndakasvotwa hangu nekuti ndakanga
ndatouya nehure rangu asi ndakazorizhakira
mu dining imomo rikachema chema richiti
chibereko changu ini ndichiti mira ndidye
zviro iwe.

Kupedza kurizhaka kwandakaita rakabva


rabaya kumba kwaro risina nere muromo.
Ndakasvika pabhawa paya ndokutenga
mabhotoro angu matatu eblack label
ndokubva ndagara kwakutanga kunwa
ndakagara ipapo. "Chibaba muri kuzvigona
sei apo" akadaro mumwe muchinda achiuya
kugara padivi pangu "I'm good bro"
ndakadaro ndotya kukumbirwa doro rangu
zvikanzi "munozonyanya kuwanza doro
mukoma kumba uko munozosvika muri bho
here kana kuti munenge matopera kare"
akadaro muchinda uya , handina
kuzomupindura ndaona kangirozi kaifamba
pamberi pedu ndokubva ndangoti tsviyo
kamuridzo kaiva pasi pasi ndokubva kati
cheu kangirozi kaya. Chiona kubatana kani
ndikabva ndatonzwa kutapirirwa nako
zvekuti ndainge ndonzwa kuda
kutokanyudza Cleo mudiki.

"How are you" yakadaro ngirozi iya


ndikabva ndaita zvekusimuka
ndokuswedera pedyo naye ndikati "ndiri
right sisi muri kuda madoro mangani uye
moda ripi" ndaive ndatozvipira
kutomutengera chaiko zvikanzi "hunters
chero black label iroro ndinomwa" she said
achikwiridzira tsiyo idzo dzaive dzakareba
muromo uchimonyewa iwo waive
wakamwa lipstick ye red,achibva apesvura
chi weave chaiva mumusoro. Ndakabva
ndanotenga madoro acho ndokubva
ndadzoka paiva ne babe ndikati "hazviite
here tinomwira kumba" akati "haisi nyaya
ngatiende hedu" ndakasekerera paya
ndotokafungira parefu ndikati dzawira
mutswanda , takabva tasesedzana
takananga kuden kwangu. Mwana aive
akanaka mhani ,ka voice kacho kayiita kuti
ndinzwe kutapirirwa pese pese. Tichisvika
kumba takatanga zvedu kumwa doro redu.
Hwahwa pahwakanga hwamu musoro
takabva tatotanga kubatana dzimara
ndarova zvinhu zve mwanasikana.
"Ndichamboenda ku bathroom" akadaro
achibva ayenda. Handina kumbobvunza zita
rake ,ndakasara ndokukutura hudoro
hwaive hwasara kwakutombozendama
ndichinzwa kunatsa kudzika kwahwo.

Pasina nguva ndakanzwa babe raku


screamer richibva ku bathroom kuya
ndikashaya kuziva chiri kutora nzvimbo.
Nguva iyi handina kana kumbofunga Annah
apa ndaive ndisina kumuona futi mumba
umu,ndakangoti zvimwe ayenda kumba
kwavo ko handi ndaive ndasiya
ndamukwapaidza mbama. "Chiiko? Waonei
uri kuhuta kudaro" ndakadaro
ndichimubvunza achibva atora twuro twake
kwakurova bara achibuda mumba.

Ndakasara ndichipererwa. Musikana uyu


anenge aipenga chete chairidzira mhere
ipapa chii? Ndakangoti anenge anakirwa na
Cleo mudiki , ndakasara ndokubva ndavata
hangu ndakanga ndatovharwa nahwo
hwahwa hwacho. Kuchiedza ndakanga
ndava bho ndokubva ndaenda ku bathroom
kuti ndinogeza ndiende kubasa kwangu.
Ndichingoti gumbo mukati ndakabva
ndaona mashura kuona Annah arimo
akabudisa ziso panze. Hamawe ndakatya
zvisingaiti ndokuparura mhere nekuti
aitoratidza kuti chava chando.
Ndakanomubata kudai wanei atonhora kare.
Ndakachema kani ndikademba nhai mwana
wevanhu. Aive afungeiko Annah.
Ndakatarisa mu bathroom imomo
ndokusanganidzana nechibhotoro
chemushonga wemakonzo. Ndakaita
mudumbu veduwe. Annah kutofa here.

Ndaitaura ndega asi wekundipindura wacho


akange asipo. Ndakapera simba
ndokungoramba ndakatarisa chitunha cha
Annah. Ndakashaya kuti ndodini ko
vabereki vacho vaizozvitambira sei manje.
Ndakademba ini kuti Annah aive apindwa
neyi futi. Ndakaenda ku bedroom ndichida
kufonera mai vacho ndokubva
ndasanganidza futi neka tsamba kaiva
pamubhedha ndokutora kwakutanga
kuverenga.
Misodzi yakabuda pandakanga ndapedza
kuverenga katsamba kacho ndokubva
ndangozvijatira pasi.Annah akanga andiisa
pakaoma veduwe. Hongu aindida hake asi
handizive kuti chii chaimboitika pandiri.

"Annah my love , ndizvo zvawafunga here?


Sorry mudiwa wangu ndokuda ini
wondiregererawo babe. Watoshinga
kundisiya here Annah ,dzoka kani Annah
ndichiri kukuda ndinokuvimbisa kuti
handikurove futi babe"

Ndakanga ndaenda ku bathroom kwaaiva ,


ndaichema ndakagara padivi pake. Annah
akanga atondisiya uyu ,ndakafonera mom's
vacho ndichivazivisa zvaive zvaitika
ndokubva vaibongomora mhere pafoni
ipapo. "What ,iti uri kutamba mukwasha"
ndivo mashoko avo avakataura ndikati
"Amai ,ndingatamba nezvakadaro"
ndakabva ndatokata nekuti ndainzwa
kuzararirwa chaiko. Zvino Annah zvaafa
nekuda kwangu ko hupenyu hwangu
huchazonaka here kana kuti yatova ngozi.
Ndakadaro ndakabata musoro wangu.

Hanzi munhu rume haacheme munonyepa


imi , misodzi yaitoyerera nematama angu.
Ndakazozivisawo hama dzangu dzichibva
dzauya asi ndini ndaitonzi ndauraisa mwana.
Zvakanga zvakaoma veduwe. Amai va
Annah vakauya ndokutanga havo kupopota
kuita sezvinonzi ndini ndaive ndamumwisa
mushonga wacho. "Hiiiii mwanangu Annah
dai ndisina kukuti dzokera kumurume
ingadai pasina zvose izvi hiiiihiiiii
ndakaiteiko inini , handina kuziva kuti
watsamwa mwanangu maiwee ndozviudza
aniko inini."

Vakadaro vakapfugama pachitunha cha


Annah.Zvaireva kuti Annah aive asingachadi
nezvangu kwakumanikidzwa namai vacho
kuti adzoke kwandiri so inini mhosva yangu
yaive papi.Vanhu vakarwadziwa nekufa kwa
Annah vamwe ndivo vaive voti ndakauraya
mukadzi. Kana zvotaurwa zvinoita sekuti
wakatomumanikidza kuti amwe mushonga
wacho.

Mangwana acho takaenda kunoviga Annah


ndikarwadziwa ndichiona
achipfutsirwa ,moyo wangu wakaenda kure
kwakungodzungudza musoro wangu.Mariro
aAnnah akapera vanhu vakadzokera
kudzimba dzavo. Ndaive ndogara
ndakasuwa ndichizvidya pfungwa dzangu.
Doro ndakanga ndisingachamwi ini ,ndaive
ndatorisiya zvamuchose.

Mazuva iwawa ndakaonda kusara musoro


chete ndichingofunga Annah. Mukadzi
wangu aive akashinga nekuti marovero
andaimuita aive asina kumbonaka but
akashinga kugara zvikazongomukurirawo
akazotiza kudzokera kumba kwavo.

Mazuva akafamba ndisingaende kubasa


ndaive ndatopiwa leave ndichinzi
ndimbochema mukadzi wangu.Ndakati
ndakarara husiku ndokubva ndabatwa
nemadzikirira zvisingaiti zvekuti ndakatora
nguva kuti ndimuke. Ndaive ndoita sekuti
ndoda kutofira kuhope. Pandakamuka
ndakagara pasi ,zvadaro ndokubva ndanzwa
ma footsteps ,zvakaita semunhu aifamba
achienda ku bathroom. Handina kuziva
chakanga choitika ini. Asi hapana kuzoita
nguva yakakura zvaive zvanyarara.
Pandakada kuti ndirare ndakabva ndanzwa
maungira emunhu aiseka. Zvaisanzika kuti
zviri kubva kupi asi ndaingonzwa maungira
chete mumba imomo. Hapana kuita nguva
ndokunzwa gegegee kuseka asi izwi racho
raiva ra Annah. Ndakamboti pamwe ndiri
kurota ndokubva ndazvitsunya ndokuona
ndisiri kurota.Ndakarohwa nehana zvekuti
ndakanga ndoda kutiza mumba asi
ndaigotiza ndichienda kupi kwacho.Saka
zvaireva kuti Annah akanga ondipfukira
here veduwe , ndakabva ndafuka jira ,
ndakanga ndotya zvakanyanya.

Mazuva akafamba ndiripo padheni pangu ,


hapana chandakanga ndonzwa zviya
zvakapera musi wacho.

*LIZZY*

Ndakanzwa kuzasi kwangu kuchinatsa


kudambuka tsinga dzese handione sepane
yakasara ipapo. Ndakazhamba kani
ndichiedza kusundira baba Rea kure but
vaive vakatondibata zvine simba
vakanyudza juju wavo mandiri.
"Uri virgin Lizzy? Handina kumbozvifunga
zvekuti ungava uchakazara. Ndafara
babe ,dhara rakaita seni kuvhura mhandara
zvandishamisa. Ndoda kukutengera mota
mukadzi wangu wandifadza zvisingaiti."

Vakadaro ndokubva vanditsvoda


vachindipukuta misodzi yangu. Kubviswa
humhandara zvakunorwadza nhai veduwe.
Naiko kukura kwakaita blambi yababa Rea
ndakarwadziwa kani.Handina kumbonzwa
kunakirwa ndaingonzwa marwadzo chete.
Vakapedza kuita basa ravo
ndokuzvambarara havo paside pangu
vachinanzva muromo wavo kasingaperi.

"Ndarwadziwa Samaita" ndakadaro


ndokubva vapuruzvira dumbu rangu vachiti
"sorry mukadzi wangu ,uri shuga mai
mwana kuzvivhurira kunonakidza chaiko"
handina kuzodaira hangu nekuda
kwemarwadzo andainzwa. Ndakasiya baba
Rea vakarara ndokupesanisa tsoka dzangu
ndakananga ku bathroom. Ndaifamba
ndakadhasharara makumbo angu nekuti
pakati apa pairwadza.Ndakageza ndokubva
ndadzokera ku bedroom ndikatorara hope.

Ndakazopepuka ndonzwa kukiswa padama


rangu "huya titambe" vakadaro baba Rea.
Nguva iyoyo ndakabva ndafunga mashoko
amai Dee. Kuti mai Dee vangada kundibatira
mushonga here vaiti haundinetsi uri mwana
mudiki. Ndakatya hangu nazvo ndokubva
ndangoundunda kunga kahuku kanaiwa.

"Watsamwei Lizzy" vakabvunza baba Rea


ndikabva ndavhunduka nekuti ndaive
ndatovarairwa. "Handina kutsamwa
Samaita ndiri kuterera marwadzo"
ndakadaro ndosekerera vachibva
vasekererawo ndikati "munodiwa daddy" i
said vakati "maita basa mummy mutupo
chii gara zviya" vakadaro ndikati "Ndiri
Masibanda" zvikanzi "Ooh Masibanda
wangu" ndakabva ndaenda kunogadzira
chikafu chekudya.

Ndakabva ndatofunga kufonera mama


ndichida kuvaudza mashoko andaive
ndaudzwa namai Dee. "Hello Lizzy"
vakadaro vachidavira ndikati "murisei
Mama" vakati "ndinofara hangu arisei
murume" ndakabva ndaseka hangu ndoti
"anofara hake." Vakati "ngazvirambe
zvakadaro" ndikati

"Mama , mukadzi wakarambwa nababa Rea


andiudza mashoko ekuti ndoda kuona
ukagara nemurume uyoyo vangava vanoda
kundibatira mushonga here?" Ndakadaro
paya ,mama vaigona kuzozviona havo
pamweya nekuti amai vangu vane mweya ,
vakomana vese vandaidanana navo
vaindiudza kuti hapana future asi ini wacho
ndaibva ndaita nharo ndoramba
ndichidanana naye.

"Usazvinetsa mwanangu hapana chinoitika


ndiripo ini. Mushonga wavo hauna kana
simba zvachose" ndikati "zvakanaka mama
ko munouya rini takakumirirai kuno" vakati
"ndinouya mwanangu ndichakuudzai"

Ndakabva ndakata call ndikabika chikafu


ndikapedza ndokubva ndazonodana baba
va Rea vakauya tichibva tadya hedu.
"Ndichataura na Rea agouya kutora mari
yekutenga mota yako mukadzi wangu"
ndaiti vari kutamba zvee ini ndikati "muri
kutorevesa" vakati "Ehe ,ndingangonakirwa
nekutaura izvozvo here" ndikati "zvakanaka
daddy"takabva tadya hedu tikapedza
vachibva vanorara ndika cleaner hangu
mumba nekusuka mandiro ataive tadyira.
Mazuva akafamba mota yangu ikatengwa
ndikava nemufaro wakawandisa. Samaita
ndakavatenda kasingaperi nekuti
ndaisambozvifungira zvekuti
ndingazofambawo nemota muhupenyu
hwangu. Life yangu yakanga yatochinja
sekutamba sekuseka. Ndakanga ndoityaira
ndomene hangu. Amai vangu vakazouya
tikafara kuva navo.

*End of chapter*

*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/GWyxIn0RrpKH
n5pyjASYEH
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 55*
*MELISSA*

Ndakafonerwa na Mona achiti ari kuuya


kuona mwana wangu. Uyu Tinashe aive
ongofona pese pese achibvunza kuti mwana
arisei.Ndega ndakaona kuti mwana wangu
anodiwa na Tinashe, dai ari mumwe
aisamboita basa naye asi iye aitofona zuva
roga roga achibvunza mwana.

Ndakamuka makuseni ndokubva ndaenda


kunogeza,semunhu anomwisa zvinodawo
kuti mwana agomwa mukaka wageza.
Ndakapedza ndokubva ndaita zvangu basa.
Liesl akanga atorwa nagogo vachiitira kuti
ndiite basa. Kamunhu kacho kaisada kurara
pasi ende kaitonzwa kuti ndasara ndega
kobva kachema.

"Dziisa mvura mugaba Melissa ndigezese


mwana" vakadaro gogo ndikati "Ehoi gogo"
ndakabva ndatobvisa madota pamoto
ndikavesa moto. Ndakaisa mvura ya Liesl
yekugeza ikabva yadziya ndikazoisa rice
pamoto nekuti ndakanga ndonzwa nzara.
Ndakanopa gogo mvura yemwana
vakatanga kumugezesa. Ini ndakanga
ndisati ndagona kugezesa sezvo kakanga
kachiri karusvava chaiko.

"Tisvikewo vepano"
Ndakabva ndatobuda mumba nekuti ndaive
ndatonzwa kuti ndi Mona ,achingondiona
ndokubva andimbundira achiti
"nemakorokoto kani makatibarira kamwana
kedu" ndakasekerera ndichiti "ndakazviita
kani asikana" ndakadaro ndichitora ka
handbag kaive akapakata tichibva tapinda
mumba. Gogo vakanga vopfekedza mwana
hembe vakasvikotorerwa mwana na Mona.
"hamuchatoti mhoresi ana Mona ndiye
mwana wauri kudai kufarira here
muzukuru" vakadaro gogo zvikanzi
"ndichambokuonai here gogo nekuda kwe
mwana iyeyu ndiri kufara kani panoti pfuma
zvee tinopada." takabva taseka hedu
achibva azobvunzana mufaro na gogo.
Abvai Mona mabatiro aiita mwana kuita
sekuti katove ka munhu kakuru."ndapiwa
mari na Lovemore yemakorokoto" akadaro
achibudisa mari yacho muchi handbag
chake ndikati "aita hake hanzi ndouya riniko
kutiona" ndakadaro ndichitambira mari
zvikanzi "munhu wacho haagare pasi
anenge angori busy nebasa rake" ndakabva
ndanobika soup sezvo rice yakanga yaibva.
Ndakapedza ndikabva ndadana gogo na
Mona tikabva tadya. Mwana akange arara
sezvo kaive katonhorerwa nekugezeswa
kwakaive kaitwa.
Tiri pakati pekudya foni yangu yakabva
yarira ndikabva ndaitora musherefu
mayaiva ndikaona ari tinashe. Ndakabva
ndadavira ndichibuda panze ndikaenda ku
room yandinorara zvikanzi "Asi Liesl ari
kunetsa kani wanonoka kubata foni" ndikati
"Ayewa ndanga ndichidya babe ,urisei zvako
mumwe wangu" ndakadaro ndakatarisa
hangu Liesl aiva akarara akati "handisi bho
ini ndakuda nezvako kuno babe" ndakabva
ndasekerera ndichiti "Saka wati ndoita sei?"
Ndakanzwa achitura mafemo ndikaziva kuti
ari kufunga zvakawanda zvikanzi "kana Liesl
ave ne 2 weeks wobva wauya babe pane
chakaipa here kana zvisingaiti unotaura
usanyara" ndakanga ndoda hangu kunogara
naye kwacho ndikati "ndinouya babe zvose
zvakangonaka" zvikanzi "iti baba Liesl tione"
ndakaseka hangu aitopenga Tinashe
zvikanzi "Nhai babe uri kusekei , Liesl
ndewangu wazvihwa ndizvo zvaunofana
kuziva izvozvo" ndikapindura kuti "okay dad
va Liesl" akati "bho mukadzi wangu chidya
hako Liesl asati amuka."

Ndakabva ndatokata foni yacho


ndikadzokera kunodya. Gogo na Mona
vakanga vatopedza kudya gogo vakabva
vabuda havo ndikasara na Mona "call
yanodairirwa ku bedroom uko bho here?"
Ndakaseka hangu ndikaziva kuti ari kuda
kunzwa nyaya aitoda kuziva kuti ndian
afona ndikati "ndi bamunini vako vafona"
akabva amira zvaiita akabva anditarisa akati
"ndewepi nhai Melissa? Asi murume
mukuru kani akakuda nemwana wako"
ndikati "akatondida ndichiri nemimba haasi
murume mukuru uyu achiri mukomana"
ndakadaro paya Mona akaita zvekugara pasi
ende zvakatomukatyamadza akati "iti
shuwa" she said
"Shuwa ,aigara pano achishandira gogo
kufudza mombe manje akazoenda Harare
kunotsvaga basa ipapa anga achitaura
zvekuti ndoda uvuye" zvikanzi "Ari
pachokwadi here handide utambiswe futi
Melissa ndinokushuwira kuti ugoita imba
yako yakanaka" ndikati "Ari serious sisi
ndakaona pandakambomu manikidza
kurara naye akatsamwa zvekutondiramba
chaiko zvichireva kuti haade zvisina basa
akazondinyengerera hake achiti ndichinje
maitiro so ndakaona kuti munhu anotoda
zvekuvaka musha" akabva asekerera
zvikanzi "Saka ari bho manje unoenda rini
Harare kwacho" ndikati "pamavhiki
anotevera ipapo ndofana kuenda."

Ndakabva ndamuti ambomira kunditaudza


ndidye ndikabva ndadya. Ndakapedza
kudya tikasuka mandiro ndokubva Mona
azooneka akaenda ,"iwe mama Risel tora
nyimo dzandakanga mupoto umo udye
mukaka uone kusisa" ndakaseka hangu
madaidzirwo akaitwa zita remwana wangu
zvakaoma wena ndikati "munoshatisa zita
remwana wangu gogo" vakaseka havo
ndikanotora nyimo dzacho ndikadya.
Mukaka wacho wakanga usiri kunatsa
kubuda zvakanaka.

Pandakapedza kudya Liesl akabva


atomukawo ndikamupa mukaka akaguta
akadzokera futi kurara ndikanobika sadza
ndikapedza tikadya.

Mazuva akafamba ndikabva ndaenda


kuchipatara kunobaisa mwana
wangu.Ndakabuda muchipatara ndokuenda
kunokwira mota,ndakati ndave kusvika
kunokwirirwa mota dzacho ndokubva
ndangoona mota ya tonde yatomira
pamberi pangu. Ndakadumbirwa
ndakaitarisa ,akabva abuda mumota make
zvikanzi "urisei hako Melly" he said
achifamba kuuya kwandaiva ndikati "ndiri
bho" ndakadaira ndatosunga chiso changu.
Tonde ndakaona kuti haade kusekererwa.

"Melissa ndokumbirawo kutaura newe


tinzwanane" ndikati "kunzwanana chii?"
Akati "ndokumbirawo undiregerere Melissa
kukurambira mimba kwandakaita ndinoziva
mwana wawakabereka ndewangu , please
ndoda kuonawo mwana" ndakanzwa hasha
kani munongonzwa imi ,kana mhinduro
chaiyo ndakaishaiwa ndikaramba
ndakamutarisa ndichimushaira mashoko.
Pandakanga ndofamba kuti ndiende akabva
andimisa akati "paya pawakarutsa ndinewe
paya ndipo pandakaona kuti une mimba
Melissa but handina kuda kukuudza nekuti
ndaitya kutizirwa newe sezvo ndine
mukadzi kumba. Wondiregererawo shaa
mwana ndomuda kumba uko ndingori ne1
chete mukomana"
"Kana uchida kuti tiwirirane siyana
nehupenyu hwangu tonde inini handina
kubvira ndatakura mimba yako ndagara
ndakanga ndava nayo paya , handina
mwana wako ini" ndakadaro ndichipupa
nehasha ,aive akandiudza kuti mimba haisi
yake so chakuita kuti ade mwana chii?
Akada kundivharira nzira kuti ndisafamba
ndichibva ndamupusha ndikadarika kuenda.

Ainzwisa hasha tonde handidi kunyepa ,


ndakanga ndisingachadi kuvhiringwa
hupenyu hwangu nemunhu akadai. Mwana
ndiye waisafa akamuona hake akajaira
zvisina basa.Ndakakwira mota ndakafutisa
matama.

Ndakasvika kumba ndokubva ndamborara


hangu ,ndakazopepuka nguva yakachema
Liesl ndikamuka kumupa mukaka achibva
amwa ndikabva ndambotamba naye hangu.
Zuva rekuti ndiende Harare kuna Tinashe
rakasvika ndikabva ndaonekana nagogo
vangu vakabva vasuwa vachiti vosara voga.
Ndakakwira bus ndikaenda , ndaitaura na
Tinashe ndichimuudza kwandainge ndaveri.
Pandakasvika Harare ndakatowana
akatondigarira tikabva tambundirana
achibva atotora mwana akamubata
mumaoko achisekerera. "Saka tofamba
nemwana ari mumaoko here?"
Ndakabvunza nekuti taive takutoenda
kwaanogara akati "hakusi kure babe siya
ndimboona mwana wangu. Iko kuzofanana
newe Liesl wacho" ndakangoseka tichibva
taenda hedu kumba kwacho.

Tichisvika paigara pacho ndakabva


ndatotanga kutarisa tarisa , ndokubva
tapinda mumba ndikaona makarongeka
kani veduwe. Ndakashaya kuti Tinashe aive
akaionepi mari yekutenga zvose zvaiva
mumba umu. Maitoita sekuti munogara
munhu kadzi imo muchigara Tinashe
hake."makanaka mumba muno" ndakadaro
ndichigara pabed sezvo takati kupinda
nekutonanga kubedroom. "Yeah ,ndipo
patinogara pano babe" akadaro
achingotamba nemwana kachipota
kachimbopiwa matsvodi.

Mwana paakarara akabva amuradzika


achibva aswedera pedyo neni achibva
atonditsvoda zvikanzi "mukaka we mwana
ndakatenga babe. Handi zvatakawirirana uri
kuzviziva here" ndakabva ndagutsurira
musoro akati "yeah , mwana akutobva
pamukaka hauna kuiswa jadel here" ndikati
"handina" zvikanzi "okay babe handei
tinodya" takabva taenda kunodya rice ne
chicken.

Ndapedza kudya ndakanogeza ndokubva


ndazorara ndikapepuka Tinashe achipa
mwana mukaka wemubhotoro ndikabva
ndanobika. Takadya ndokubva tazorara asi
Tinashe haana kundibata. Kuchiedza
akamuka kuenda kubasa akasiya ati
"mumba ndemako babe bika zvaunoda
udye kana une husimbe hwekubika chingwa
chirimo nemazai" akadaro akubuda door
akabva adzoka achiti "handina kumboona
kuti mwana wangu amuka sei" akadaro
achimukisa zvikanzi "uswere bho babe"
ndikati "bho daddy"

Akabva ayenda ndikasara ndikamborara


hangu ndikazomuka ndanzwa kuchema kwa
Liesl ndikamupa mukaka wake wechirungu
achibva atoguta ndikamuisa pabed
akatanga hake kuimba
zvisinganzike.Ndakazogadzira mazai
ndikaisa pachingwa ndikadya.

Tinashe akazodzoka atova manheru


ndatopedza kubika ndikasweresana naye
ndikati "ndopakura here or wotanga kugeza
tozodya" akati "pakura hako babe"
ndakapakura ndokubva tadya. Akazonogeza
apedza kudya ini ndikanoradzikidza Liesl
haana kutana kubatwa nehope akabva
atorara.

Tinashe paakapedza kugeza akati "Mai Liesl


ndokumbirawo kudya muchero wangu"
akadaro achinditambidza mari ndikati "ko
mari ndeyei" akati "handingorari newe babe
pasina something chandakupa ndosaka
ndakupa mari iyoyo" handina kuverenga
kuti yaiva marii ndakangoipeta ndikaitsveta
ndikati "okay thanks hapana chakaipa"

Akabva atotanga kundikisa ini semunhu


akanga azvisuwa ndakadzorera nekukasira
ende ndakanga ndoda kuti achipedza. Iye
wacho aitoita zvishoma zvishoma kuti nditi
chiita ndakanyara ndikasiya achiita zvaaiita
kusvika apedza achibva azopinda mandiri
ndikachema chema ndanakirwa. Takapedza
akati "thanks babe ndanakirwa" ndikati
"sure here? Kana ini ndanakirwa" takabva
taenda kunogeza tikabva tatomboita futi
ikoko tikabva tazonorara. Ndakanga
ndorara ndakaitsamira hangu ko kutyei.

*DELIVERANCE*

Ndakanga ndisingachadi kushaya


Rea ,ndaive ndongoda kugara
ndakamuzembera.Kana kumuvenga kuya
kwakanga kwapera. Handitozivewo kuti
zvaifamba sei.Kana Rea akanga oshamisika
nerudo rwandakanga ndomupa.

"Babe ,ita tiende ku church."


Akadaro Rea ndikabva ndayema
ndichiti ,"ndoda porridge daddy ndiro
randiri kunzwa kuda" akati "manje
ndinogona kuribika here ini wadii kutoita
wemene" ini nekuda kubikirwa ndakaramba
ndichiti "ndoda rabikwa newe Rea" haana
kuzoita nharo akaona kuti nguva
dzingatokwana tiri pamba. Ini ndakabva
ndanogeza ndikapedza ndikatopfeka dress
rangu. Rea paakapedza kubika porridge
rangu akabva atondidana kuti ndidye.
Rakanga riri porridge rekunyika.

"Ndouya daddy" ndakadaro ndichipedzisa


kuzvigadzira ndokubva ndazoenda
kunodya.Ndakapakiswa ndikati "riri kunaka
sei wanga uchiti haugoni kubika" akabva
aseka achiti "ndikatadza kubika handiti
unondituka so ndozvandinenge ndichitya"
kunyepa hake ndakanga ndisingachamutuki
ini zvaive zvakatopera zviya.
Rea akazoenda kunogeza ndikasara
ndichipedzisa kudya,ndapedza ndakasuka
mandiro angu ndikanzwa foni yangu ichirira
ndikaona vari mai tafara ndikanyemwerera
ndichiibaya ,"munofara here mama"
ndakadaro vakati "ndinofara kani
vatumbwa hausati wakutotadza kufamba
here nedumbu" ndakaseka ndichiti "mama
musadaro veduwe ndotadza kufamba neyi
harisati ranyanya kukura. Varisei Chirandu."
Vakati "Chirandu vanofara havo vakarara
ava hameno mukwasha ikoko" ndikati "ari
right kutogadzira kuenda ku church hedu"
vakati "zvakanaka Delly motinamatirawo
ikoko"
"Okay mama"

Vakabva vakata foni ndikapedzisa zvandaiita


ndikaenda ku bedroom ndikaona Rea
achitopfeka hembe dzake."wapedza here
babe tione kuenda tichanonoka nhasi tarira
pave nenguva" ndikati "ndapedza daddy
ndatomirira iwewe" akati "ndiwe
wandinonotsa nekuda porridge" ndikati "Asi
haude kuti mwana wako adye zvaanofarira"
akaseka achiti "ndinoda kani babe zvitori
bho zvawaita izvozvo chaunoda
ndinokubikira"

Akapedza kupfeka tikabva tatoenda kumota


achibva atoimutsa akatanga kuridza masong
e gospel. Aingogutsurira musoro wake achi
driver kudaro, takabva tasvika ku church
tikabva tapinda mukati tikawana church
yatotanga vanhu vari pakati pekuimba.

Takabva tato joinawo chikwata kwakutanga


kuimba ,takati tapedza kuimba
kwakunamata ,ndakanamata ndikanzwa
kuti nhasi ndanamata zvandisati
ndakamboita. Tichipedza takabva tagara
pasi pastor vakatanga havo kuparidza.
Pastor vaiparidza shoko rinonakidza ende
vaiva nechipo havo chekuparidza. Nguva
dzakafamba tikanamatirwa hedu church
ikabva yapera.

Takaenda kumota na Rea wangu tichibva


taenda. Takati tasvika pama shops zvikanzi
"handei tinotenga zvekudya nhasi ndine
husimbe hwekubika kumba uko handi ndini
ndatova mai vekuma poto mazuvano"
ndakaseka ndichiburuka mumota
tikanotenga zvekudya zvacho. Takubvako
takabva tasangana nebenzi rairwara
pfungwa rikabva rabata dumbu rangu
ndikapererwa chaiko. Haana kumira akabva
ayenda ndikaramba ndakamutarisa
achienda kudaro. Zvakandinetsa ndikatadza
kuziva zvazvinoreva.

"Zvinorevei nhai babe?" Akabvunza Rea


ndikadzungudza musoro ndichiti "handizive
daddy" hapana akaziva zvazvinoreva ,
takabva taenda hedu asi ndakanga
ndozvinetsa mupfungwa dzangu. Ndaizama
kuda kufungidzirawo zvazvinoreva asi
handina kubuda ne answer. Ndakangoti
hameno ndokusiyana nazvo. Takasvika
kumba tikabva tadya chikafu chedu asi
handina kudya zvinoenda kure ndakanga
ndatosvotwa. "Idya babe why wadya
zvishoma uchandibarira chimwana
chakatsonga" ndaisada hangu kuseka asi
ndakabva ndaseka ndikati "ndadya kani
unoda ndidye zvakawanda sei" akati "ungati
kudya here kwawaita uku babe" ndakabva
ndamusiya ndikaenda ku bedroom ndikabva
ndatozvambarara hangu.

Nguva yekurara yakakwana tikarara hedu.


Mangwana acho takanonoka kumuka Rea
akati "babe dumbu rako rakura hazviiti here
tinotsvaga hembe dzemwana" ndikati
"taura hako rakura" ndichipuruzvira dumbu
rangu , Rea akabva atorikisa ndikanzwa
mwana akutokika.Kaifarisa kamunhu kacho
ndakabva ndatomuka ku cleaner mumba
ndikapedza ndikabika porridge rangu
ndikadya. Rea akabika tea akadya
nechingwa tikatobuda kuenda ku town.

Takatenga hembe dzemwana dzaiyiita


kwese kumusikana kana kumukomana,
ndakanga ndisina kumboenda ku scan
zvekuti ndingaziva kuti mwana
andakatakura murudzii. Takatenga
dzakawandisa hembe dzacho ndokubva
tadzokera hedu kumba.

Ndakazoti rimwe zuva ndakagara ndichiona


tv ndokubva ndanzwa kuruma kuruma
mudumbu mangu. Ndakamboti zvimwe ma
fruits andadya ndiwo ari kurwadzisa
mudumbu mangu. Handina kuzviterera
ndokubva ndaramba hangu ndichiona tv.
Rea akabva auyawo kugara kwandaiva
tikatoona tv tose. Ainditaudza
ndichingodaira ndiri pore pore nekuti
kakurwadza kaiita mudumbu mangu
kaitoita kuti ndinzwe moyo wangu kuenda
kure.

"Pane chiri kurwadza here babe" akabvunza


ndikati "mudumbu muri kurwadza asi
hamusi kunyanya hamo" ndakadaro
ndichitofinyama chiso changu. Rea akabva
andisimbisa achiti munopora. Ndakabva
ndatorara pamakumbo ake akatanga kubata
bata hake dumbu rangu.

Zuva rakasvika pakuvira muchingoita


sezvamaiita ndikatorara ndisina kudya
nekuti ndaitonzwa kufufutirwa. Ndakarara
hangu asi hope dzacho hadzina kumbobvira
dzandibata. Ndaingoshanyarika
ndichitsvaga side rinoita kurara naro asi
ndaitonzwa kunga ndiri kubaiwa baiwa.
Nguva hadzina kumira kufamba ndakanga
ndonzwa kutsva kudikitira chaiko ndikaenda
ku bathroom kunogeza. Ndakapedza
ndikanogara pabed ndakatarisa Rea
ndikaona achidzifodora hake hope.

Mudumbu mangu makati monyanya


kurwadza ndikatanga kumbeya neimba yose
ndichiyuwira. Pazvakanga zvorwadzisa
ndakabva ndamutsa Rea akati "watii babe"
akadaro achitooneka kuti achiri nehope,
akatanga kuzhamura hake ndikati
"mudumbu mangu Rea" ndakadaro ndoda
kuchema akati "nanhasi muchiri kurwadza
here? Muri kunyanya here?" Ndikadaira
nemusoro achibva andiisa pamakumbo ake
akati "sorry babe rega ndione kuti todini"
akadaro achitarisa nguva pafoni yake
ndikaona dziri kuma past 5 akati "hande ku
clinic"

Takabva taenda kumota tikaenda ku clinic


kwacho. takasvika ndikabva ndatariswa
zvikanzi mwana achiri kure , ndakanga
ndongobudisa misodzi ndichitambisa
tambisa makumbo angu.

Ndaiti ndikati gare gare vobva


vambonditarisa asi pakanga pasina change
wena. Apa ndairwadziwa kuita sekuti
ndakuda kufa , nguva dzakafamba pasina
chachinja ,ndaingoti nhai Mwari ndobara
nguvaiko. Pain yacho yaisajairika kani
ndainzwa moyo wangu kurwadza chaiko.

Zuva rakasvika pakuvira ndisati ndabatsirwa.


Rea aingouya achindisimbisa , nurse
vainditarisa vakanga vototi kana zvaramba
zvakadaro ndoitwa operation. Haa ndakatya
nazvo kani ndikangoti zvekuita hapana
kutoita zviripo zvacho.

Kwakazoti kwakuedza ndikanzwa kuda


kupusha mwana ndikatotanga kugomera
zvakasimba. Semunhu akanga aswera
achirwadziwa uye ndisina kumbodya simba
racho rakanga rava shoma. Pandakazonzwa
kubuda kwemwana ndakafara zvisingaiti asi
pain iya yakanga isati yapera ndikabva
ndagomera futi mwana akabuda.
Achingobuda ndakaramba ndichigomera
akabva abuda but handina kunzwa
kuchema kwemwana. Ipapo ndakanga
ndoona rima ndikatadza kuziva kwarakanga
rabva. Handina kuita nguva ndakabva
ndatoti rabada pasi ndikabva ndatonyarara.

*End of chapter*

*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Ios8pJVRKQMH
lNt7dCSxKE
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 56*
*KIMBERLY*

Hana yangu yakanga yorovera muhapwa


zvino. Ndakanga ndakutonzwa munyama
dzangu kuti pane zvaitika.Ndakatarisa nurse
ndichinzwa hasha vachingoruma ruma
kamuromo kavo zvisina basa.

"Ndati mwana wangu ari kupi? Huyai


nemwana wangu ndoda kumuona"
Ndakashinga hangu kutaura mashoko aya
asi zvakanga zvatovapo ndainge
ndatozviona. Misodzi yangu ndakaona
yongoyerera nematama angu ,kana iye aiva
mumaoko angu ndaive ndisati
ndatombonatsa kumuona ,kana kuona kuti
murudzii handina ini. Shungu dzaida
kuvaona vari pamwe chete vana vangu.
"Mwana ashaya ndine hurombo
mwanangu" mashoko anurse akauya
sechibhakera munzeve dzangu. Kana
mashoko ekutaura ndakamashaya ini
ndikaibongomora mhere. Nekurwadza
kunoita nyoka yekubara kwakurasikirwa
nemwana here , andina kuzvitora se serious
ini ndakati vanonyepa ava. Asi nyoka
dzangu dzemudumbu ndainzwa dzichirira
kuratidza kuti hapana kumira zvakanaka.

Pandakaona Dudu achiuya ndakabva


ndachema ndakamutarisa ndikati "mwana
wedu kani baba Dee" akabva andimbundira
asi haana kuziva zvakanga zvichiitika
panguva iyi. Ndakachema kupedza shungu
dzangu ndiri mumaoko aDudu. Mwana aiva
mumaoko angu ndakanga ndamuradzika.

"Chii babe ndiudze wakadzikama" akadaro


atosuwa chiso chake ndikati "hanzi mwana
afa" akati "kwete ,wangu haana kufa babe ,
Nurse muri kurevesa here?" Vakati "vabuda
vari vaviri asi mumwe wacho aive akaneta
achibva atofa" ndakaona Dudu achibudisa
misodzi tikambundirana akati "ndoda
kunomuona" akadaro Dudu , nurse vaya
vakatanga kukakama kuita sekuti havagoni
kutaura. Hapana kana chironzo
chavakabudisa ende ndakanzwa hasha kani.

Takaramba takavatarisa tichida kuti


vapindure asi vakabva vakaenda
vachifambisa. Ndakapera simba kani
kushaya kuziva kuti chirudziiko chiri kuita
nurse ava. Zvakanga zvoitika apa
zvaitondishamisa ,hana yangu haina
kuzomborova zvakare."nhai Dudu , nurse
ava vari kuda kudiiko vatadza here
kupindura zvawataura kunyangwe mwana
afa hake ndiri kuda kungomuonawo hangu.
Ndarwadziwa kani baba Dee" akabva
andimbundira achindinyararidza zvikanzi
"ngatimboona aripo wacho babe ,uyo anzi
afa rega tigoona kuti todii" akabva atora
mwana aive akarara akatotanga kubudisa
misodzi akamubata."dai vose varipo"
akadaro achitarisa mwana kuti murudzii
akati "Deon wangu" ndakabva ndatoziva
kuti mukomana, haa moyo wekubereka
wakandirwadza kani.

Ndakabva ndamborara , mwana akanga


angori na Dudu achingomu ringa-ringa
zvakaoma ndakaziva kuti ari
kurwadziwa.Nguva yandakamuka aive
akagara hake akabata shaya.

"Toda kuona mwana nurse" akadaro Dudu


achangoona nurse.Nurse vacho vakamboita
zvinguva vasina kudaira vakabva vazoti
"hanzi mwana haaonekwi nekuti achine
rukuvhu hanzi otongopiswa asi panodiwa
mari kuti apiswe" ndakada kuridza tsamwa
asi ndakabva ndazvidzora nekuti
ndaizotogona kuurayirwa mwana wangu na
nurse ava nekuti sometimes ukaita zvisizvo
vanokuitira hutsinye so ndakabva
ndadzikama asi ndainzwa hasha dziri
pahuma chaipo. Kana Dudu akanga
atosimuka nguva iyi ndikamudzikamisa
ndakafunga kuti aitoda kurova nurse ava.

"Kwete , makambozvionepi izvozvo zvekuti


mwana haaonekwi nekuti ane rukuvhu.
Pane zvamuri kutivanzira kani nurse
zvamusiri kuda kuti tizive. Inini mwana
wangu handidi kuti apiswe tinondoviga
tega,handei tinoona mwana wacho"
ndakadaro ndichitoedza kusimuka asi zasi
kwangu nemuchiuno mairwadza zvisingaiti
ndikabva ndabatwa ruoko na Dudu
ndikabva ndasimuka ndikamira vakati
"mwana mudiki haavigwe vanangu
anopiswa" vakadaro ende vaindinzwisa
zvavo hasha. "handina mari yacho yekuti
mwana apiswe ndoda kumuviga ndega"
pandaitaura izvi ndaisambochema kana
kurwadziwa moyo wangu chete ndiwo
waingoda kumuona. Nurse vaya ngavatange
havo kutsika madziro ndikadumburirwa
chaiko.

Ndakashaya kuti ndovadiniko nurse ava


nekuti vaitotamba nepfungwa
dzedu.Zvepachipatara apa zvakanga
zvondisvota ndikati "Baba Dee handichadi
zvemuno handei kumba" zvekuti hanzi
ndozobuda mangwana muchipatara
zvakanga zvava zvimwe kwandiri. Nekuita
kwa nurse ava ndaisambogarisika hangu.

"Unozobuda mangwana mwanangu ndiwo


mutemo wacho" said nurse ndikati
"mutemo wacho kuita sei? Mandirambira
kuti ndingoona mwana wangu kuti afa
zvechokwadi here kana kuti mupenyu hake.
Akakuudzai kuti mwana kana akafa ari
mudiki haaonekwi ndian iyeye ndoda
kunomuona ini"
"Hatisi pakunetsana mwanangu zvakutoita
sekuti ndini ndamuuraya."
Ndakangosimudza mwana wangu
chinyararire ndokubva ndafamba
ndichikweva makumbo angu , kusina kure
kwandasvika ndakabva ndacheuka
ndikadaidzira kuti "wangu mwana
haanzwero ndiri kuenda kumapurisa
muchataura zvakanaka henyu. Handioni
sekuti pane chinonetsa kungotiratidza
mwana tomeka shuwa kuti atisiya manje
muri kuramba zviri kundiratidza kuti pane
zvamuri ku hider muchataura henyu kana
police yauya."

Ndaitaura ndakatsamwa chaiko. Nurse vaya


vakada kundimisa kuti titaure but
ndakaramba ndichienda asi ndakaona Dudu
akudzoka kwaiva nurse vaya ini ndikaramba
ndichienda kumota.Andina kuziva kuti
akange odei futi kwavari.

Ndakapinda mumota ndokubva


ndamboramba ndatarisa karusvava
kangu ,kaive kakatorara hako. Ndakabva
ndati "mumwe wako anouya mwanangu"
ndaitaura ndega zvekuti afa izvo handina
kuzvi believer ini.
"Uri kutaura nani babe" akadaro Dudu
achangosvika ndikati "ndiri kutaura ndega
koiwe wanga wadzokerei?" Akati "vanga
vachida number hanzi tichakuzivisai kuti
zvakamira sei." Akadaro Dudu ndikati
"vanopenga nurse ava ndoda kuenda ku
police ini" ndakadaro , nurse ava vayiita
sekuti pane madhiri avari kutamba.

"Ngatimbomira babe ngatisamhanya rega


tigonzwa ivo vacho asi kana varamba vakati
zii vasingade kutaura tobva taenda ku
mapurisa kwacho." Andina kuzodaira
ndakanga ndatovharwa nechigodo pahuro
pangu.Shungu dzaingova kumwana ainzi afa
iyeye.

Takaenda kumba ndikasvika nekutonanga


kunogeza.Pandakapedza ndakabva ndarara
nekuti ndaive nehope dzakanyanya.
Ndakazomuka ndaita zvekumutswa na
Dudu achiti tinodya chikafu.
"Babe,ndozonatsa kukutenda kana
tambonzwa kuti umwe mwana atisiya
zvechokwadi here now handisati ndane
mashoko babe wangu." He said ndikaziva
kuti nyaya yemwana iri kumubaya. Takadya
hedu asi zvaiva zvekuzvimanikidza chaiko.
Pfungwa dzaisambova panzvimbo
ndaingofunga zvakawanda. Kana
kakunyarara ka Dudu kaitondiratidza kuti
mupfungwa dzake ari kugaya
hora.Musatamba nekungonzi mwana afa
motadza futi kumuratidzwa mwana wacho
munonzwa sei? Ini ndakanga ndofungira
hangu kuti zvimwe mupenyu. Kwaiva
kungofungirawo ende ndaitozvisimbisa
mumoyo mangu kuti mwana wangu
mupenyu.

"Rega ndimbosvika kwa tete Edina


ndinodzoka babe" akadaro achikochekera
ruoko rwake muhuro mangu ndikati
"kunei?" Nezva tete ava zvaiva
zvondibhowa kubva musi wandakavarota.
"Ndine zvandiri kuda ikoko ndodzoka
ndichikuudza" akadaro ndikati "okay"
akabva ayenda ndikasara ndichimbotamba
neka mwana kangu.

Mukutamba naye imomo ndaibva ndafunga


kamwe kacho kuti dai katoripo.Hope
dzakabva dzatondibata ipapo ndikarara
hangu.

"Heyi babe"
Ndakasvinura ndikaona ari Dudu achibva
agara pasi akatanga kutura mafemo ndikati
"waneta here baba Dee" akagutsurira achiti
"Eeh mukadzi wangu" ndikati "iwe waenda
nemota here?" zvikanzi "pfungwa dziri
kupishana mumusoro mangu babe"
aingodzungudza musoro wake
akayenderera mberi achiti "nguva
yandasvika kumba kwa tete Edina ndanzwa
kuchema kwemwana mucheche but
ndazvinzwa ka1. Ndafunga kuti pane
muyenzi asi ndaona pasina ndikavabvunza
kuti mwana achema aripi vakati waresva
kunzwa hapana mwana asi ropa rangu
radairira nguva yacho babe I don't why
zvadero maybe kufunga mwana wangu
kwandiri kuita."

Akadaro Dudu ,pamwe akangonzwawo


maungira ake ega ,zvagara kana uchifunga
ndizvo zvazvinoita."haisi nyaya yekufunga
here babe vanga muonepi mwana tete
Edina vacho" haana kuzodavira akabva azoti
"ndanga ndanovaudza kuti kwave
nemwana" akadaro ndikati "hoo ,manje
vafara here?" akati "handina
kumbozvitarisa ini ,nditori nezvangu zviri
kundinetsa babe"

Akabva atokwira pabed achibva arara.


Ndakatora foni ndikaudza mama zvekuti
ndave nemwana asi vakanga vari offline
havo.Akava manheru tikabva tarara hedu.
Pave pakati pehusiku mwana akatanga
kuchema kuita searumwa
ndikamusvusvudzira asi haana kunyarara.
Kuda kumupa mukaka akabva auramba
ndikashaya kuziva kuti chii. Ndakabva
ndatomukurura hembe dzaive nadzo
ndikazudza ndichiti zvimwe ndichaona
chichadonha asi pakanga pasina.

"Hauna kumutsikira here babe" akadaro


Dudu achimutora ndikati "handina ini"
akaedzawo kumunyararidza asi aibva
atowedzera kuchema. Takapererwa kani
tikashaya zvekuita ndokubva tangotarisana
na Dudu.Pakazoti pave paya achibva
atongoti zii kuita sekuti haana kumbobvira
achema hake. "Deon mwanangu chii?"
Akadaro Dudu achiita sekuti anotaura
nemunhu mukuru.Deon wacho akabva
atotambisa zvimaoko zvake.

Kunze kuchingoedza ,foni ya Dudu yakabva


yarira akanditi ndidavire ndikaitora
ndikaona number dzacho dzakanzi nurse.
"Hello" ndakadaro vachibva vadaira kuti
"manga matoenda ku police here?"
Vakadaro ndikati "nditori muroad kuenda
kumapurisa ndiri kusvika navo ikoko ndoda
mwana wangu ini nyoka yekubara
munoiziva here imi." Vakanga
votondinzwisa hasha shuwa kumukira
kubvunza kuti maenda ku police here?
"Please musaenda ndokumbirawo musvike
kuno."

*MELISSA*

"Heyi...heyi..babe mwana ari kuchema


hausi kuzvihwa here" ndakapepuka
ndichitsukuta maziso angu ndikanzwa
zveshuwa mwana ari kuchema. "Handina
kumbozvinzwa" ndakadaro ndichitora
mwana kuisa pamakumbo angu achibva ati
"munhu ane mwana harari zvekuda kutofa
kaa , mwana anoita seachaedzerwa
achichema wakarara hako ipapo" akadaro
Tinashe ndikati "kuneta kani babe
handisimbodaro ini" ndakamutambidza
mwana ndikanochera mvura zvikanzi
"ndeyei?" Ndikati "ndoda kupa mwana"
akati "unopenga here? Mucheche iyeyu
anoda mvura yei tora mukaka wake umupe
maybe akunzwa nzara." ndikati "akajaira
kumwa husiku anozojaira zvisina basa" akati
"ipa mwana mukaka wake babe
hangamborari uyu inenge nzara
yamumutsa ,waisamupa mukaka husiku
here?" Ndikati "ndaimupa" akati "ndizvo
zvaajairaka mupe amwe"

Ndakabva ndanotora mukaka wake


ndikamupa achibva atorara,"wazvionaka
ndizvo zvaaida tarira atorara" ndakashaya
zvekudaira ndikatopinda mumachira
ndikarara.

Mangwana makuseni ndakamuka kugadzira


chikafu cha Tinashe akabva achiramba
achiti "ndinodyira kubasa babe" akabva
anogeza achipedza akapfeka hembe dzake
achibva ayenda. Ndakasara ndikapindawo
mu bathroom ndikageza.Ndapedza
ndakabva ndanyika towel ndikapukuta Liesl
ndikamuzora mafuta ndikamupa mukaka
wake akarara ndikanoita basa rangu.

Ndichipedza ndakabva ndadya ndokubva


ndatozvigarira hangu. Foni yangu yakabva
yarira ndikaona vari mama "makadii mama"
ndizvo zvandakaita ndichangodaira vakati
"mushe hangu ari sei mwana ndiri kuuya
kumuona" ndakavhunduka ndikati"ndave
Harare mama" vakakanuka pafoni ipapo
vakati "wakaenda rini? Uye uri kugara nani
ikoko" ndakabva ndamboti zii ndikati "ndiri
kugara nemukomana wangu"

"Watanga futi Melissa ,nemucheche iyeye


here nhai mwanangu unoona zvichiita here?
Sei usingapfidzi mwanangu uri kuda kupiwa
futi mwana asina baba here
unondirwadzisireiko? Wakatorara naye
here" vakanga vatogumbuka ndikati "Ehe"
ndakadaro vakati "handisi kuda zvekutaura
newe enda unotenga ma family planning
izvezvi" vakadaro vachikata foni ndikabva
ndapererwa wena.

Asi ndakati dhu-u kufunga ndakagara


kudaro ,kuti mwana wangu achiri mudiki
Tinashe oda kutondipa umwe.
Chaimhanyira chacho andina kuchiziva ini.
Dai mwana wangu akanga ati kure
mbichana zvaiva nane manje karusvava
ikaka kwakutokaitira mumwe mwana.

Handina kuda kutambisa nguva ndakabva


ndatobereka mwana ndikaenda kunotenga
mapiritsi acho. Ndakatenga ndikadzoka
kumba ndichibva ndatomwa. Ndakamaviga
pekuti Tinashe haambomaoni. Ah ndaida
kuti mwana wangu atange akura ndozoita
mumwe na Tinashe.

Tinashe paakadzoka kubva kubasa akabva


ati "ndaona zvakanaka kuti ndinokuroora
babe" ndakavhunduka nekuti ndainge
ndisina kuzvitarisira"rini" ndakabvunza
achibva ati "pavihiki inotevera" akadaro
achienda kwaiva na Liesl. "Ugoudza hama
dzako" akadaro ndikati"zvakanaka" takabva
tatodya chikafu chemanheru. Tinashe
achipedza kudya akabva anogeza akadzoka
tikaita zvevakuru tikarara. Paakanga arara
ndakabva ndamuka ndikamwa mapiritsi
ndikabva ndarara.

Mangwana Tinashe aenda kubasa ndakabva


ndafonerwa na Mona achiti "vhiki inouya
ndiri kunoroorwa kumusha ndati ndikuzivise
ugouya" akadaro ndikati "kana ini ndiri
kunoroorwawo pa weekend ipapo"
ndakanzwa kufara kwake pafoni ipapo akati
"ndafara kani saka tiri kunobvisirwa roora
zuva rimwe kaa" ndikati "handisi kuziva
hangu ndichabvunza Tinashe wacho kuti tiri
kuenda chishanu here kana kuti pa
weekend pacho" akati"ugobvunza undiudze
ndoda tiende tose ndichaudza Lovemore
kuti tiende tese"
"Okay Mona"

Akabva akata foni ndikamborara hangu


ndikazomutswa nemwana ndikabva
ndatomugezesa.

Mazuva akafamba tikaenda kumusha na


Mona nemurume wake ,hama dzaiva
kumusha dzakafara nekutiona nekuti
takanga tisingachazivi kuendako.Ndini
ndakatanga kubvisirwa mari pakangosara
chikwereti chishoma Tinashe akati
anozoipedzisa mari yacho yakanga yasara.
Mona ndiye akabvisirwa mari yakawanda
hapana kana kusara chikwereti. Mama
vakafara havo nekuda kwezvatakanga
taitirwa. Takaita mazuva maviri tiriko
tichifara nehama tikabva tazodzokera
kwedu mama vakaenda gweru , Mona
akabva ayendawo kumba kwake.
"Wandifadza babe" ndakadaro ndichitenda
Tinashe akati "okay babe ndangoti
ndikuratidze kuti ndinokuda zvimwe
ungatofunga kuti ndinoda kutamba newe"
akadaro tikabva tarara hedu.

Kuchiedza akamuka kuita semazuva ose


kugeza akaenda kubasa ndikasara ndichiita
basa rangu ndokubva ndazogezesa mwana
nekumupawo mukaka wake.

Musi uyu Tinashe akakurumidza kudzoka


"waswera sei babe" akadaro achindibata
muchiuno mangu ndikati "ndaswera bho
hameno iwe" akati "ndiri bho rega
ndinoona kuti Liesl arisei" akadaro
achitoenda ku bedroom ndikasara
ndichibika.

"Babe!!!!!"
Ndakanzwa ndichidanwa na Tinashe
ndikabva ndaenda zvikanzi "ndochii ichi?"
Akadaro akabata ma family planning aya
ndikabva ndarohwa nehana,kana
zvekudaira ndakazvishaya.Ndatanga
kubwaira maziso angu
takatarisana ,ndakaona okanda zvima
family planning zvehasha achibva azvikanda
pabed achibva anditarisa ndikanyara. Aive
akuoneka kuti atsamwa zvikanzi "hauna
kunzwa zvandataura here? Pindura tinzwe
ndiko kudini ikoko. Hatina kuwirirana pano
here Melissa.Ndiri kufira kutundira mukati
uchiziva hako kuti uri kumwa mapiritsi.
Wakadii kundiudza kana wanga usingadi
nhai pane kumwa mapiritsi chivande."

Akabva aridza tsamwa achitora jacket rake


achibva abuda kana simba rekubvunza kuti
uri kuendepi handina kuriwana ini.
Ndakatanga kuchema ndakagara pabed
nechandaichema chacho handina
kuchiziva.Ndakademba kuti dai
ndakamuudza kuti hazviiti kuti tiite mwana.
Ipapo ndakaona kuresva kwangu kumwe
kuda kuhwanza zvinhu kunozokusvitsa
pakaoma kana kuzotochema nazvo nekuti
pfungwa dzevarume dzinoita sedze vana
vanobhowekana kusvika pekupedzisira.

Nguva yakamuka Liesl ndakapukuta misodzi


yangu ndikambotamba naye asi pfungwa
dzangu dzaiva kuna Tinashe
ndichingozvinetsa , hameno
ndaizomutsanangurira sei kuti anzwisise
kana pekutangira pacho ndaimbova napo
here. Zuva rakavira Tinashe asati adzoka
ndikabika chikafu ndikadya ndikaenda ku
bedroom kunorara. Ndakafunga
kumufonera ndikatora foni yangu ndikaedza
number dzake dzikabvuma asi haana
kudaira. Pasina nguva akabva aisa message
yekuti.
"Imbomira kundinetsa Melissa wandibhowa
zvisingaiti chawakatadza kundibudira
pachena chii pane kundinyepera
uchindifadza nenhema ,kumwa ma family
planning ikoko kwauri kuita pamwe uri
kutondihurira ndiri kufirira kuti ndiite
mwana asi iwe uri kubva wandiita benzi
hako kundiona sebharanzi."

*End of chapter*

*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/CyDcA71MNZp
APP2PnlFqjG
*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 57*
*REA*

Kurwadziwa kwe mukadzi wangu kwakanga


kwoita kuti hana yangu irove,nguva dzacho
dzakanga dzafamba kani pasina kana
chabuda.Apa akanga asina kana kumbodya.
Izvi zvakaita kuti ndiende kumba kwa gogo
zvimwe vaizivavo zvekuita kuti akasire
kupona.Haa ndainzwa moyo wangu kuenda
kure chaiko ndikabva ndatopfugama
kunamata ndaida mwana wangu abude ari
mupenyu.Ipapo ndakabva ndafunga Dee
paakabatwa dumbu nebenzi riya haa
ndakabva ndafunga kuti zvine chirevo chete
asi andina kuziva zvazvinoreva.
Ndichipedza kunamata ndakabva ndatotora
mota yangu ndini uyo kwagogo mota
ichirohwa zvekupenga chaiko.Ndichisvika
ndakangoamba nekupinda ndisina ku
knocker ,gogo vakavhunduka zvakaita
vadonhedze chi spoon chaiva muruoko.
"Kwakanaka here?" Ndiwo wakava
mubvunzo wavo ndikati "hakuna gogo ,Dee
ari muchipatara now nhumbu yakarwadza
nezuro asi hapana chachinja ari
kungorwadziwa hapana zvamunozivawo
here gogo zvinoita kuti akasire kuzvara
mukadzi wangu arwadziwa."

Ndakadaro ndichifamba famba mumba ma


gogo imomo ndichishaya pekubata."nhai
muzukuru dai makataura nezuro wacho dai
ndakatomupa zvinoita akasire kupona
kwacho rega ndinotora tione
kuenda...yuwiii yuwiii muzukuru wangu
Deri zvaari kurwadziwa nhai." Vakadaro
vachifambisa kuenda ku bedroom kwavo
ndikaenda kunogara ku dining ndakamirira
gogo. Pavakapedza kupfeka hembe takabva
tatobuda kuenda kuchipatara kwakanga
kwatova kuma 7 apa moyo wangu wakanga
watove kuna Dee kuda kuona kuti amuka
sei.

Takasvika ndikavhurira gogo door remota


vachibva vabuda tikatungamidzana kupinda
mukati tikananga ku room yaiva na Dee ,
nguva yandakaona Dee akabata mwana
ndakabva ndatomborohwa nehana
ndokubva ndatura mafemo ,ndaive ndaita
zvekumira nguva iyi ndakatarisa Dee uyo
aisekerera hake akabata mwana muruoko
ndokubva ndamhanya kuenda paiva.

"Babe!!!!"
Ndakadaro ndichisvika paari nyemwerero iri
kugotsi,ndakazorohwa nehana ndichiona
paside pake paine vana vaviri plus mumwe
aiva muruoko. Dee akabva andipa tsvodi
padama ini ndakanga ndatotuzura kani
kupererwa chaiko kushaya kuziva kuti vana
ava ndevangu here kana kuti aive abatiswa
hake.

"Vana vedu daddy" she said achipa gogo


mwana ndikati "watii babe wangu"
ndakadaro ndichiita sekuti andina kunzwa
akati "yes ,my love ndazviita ini ndanga
ndarwadziwa ndapona kumambakwedza
umwe azobuda akaneta asi nurse vamira
mira akaita bho ini ndanga ndambonyarara
ndaive ndapera simba.Baba 3 hausi kufarira
vana here? Gogo vazukuru venyu ava"
achipedza kutaura ndakabva
ndamumbundira ndikatotanga kumutsvoda
tsvoda ,veduwe mufaro wandakanga
ndinawo handigoni kuutsanangura."now
handikwanise kukutenda babe zvinoda tave
kumba kwedu takagara hedu ,ndozoitanga
nyaya iyi ndave kumba" ndakadaro
ndichitora mwana zvikanzi "ko gogo
mukabva mati zii ipapo hanzii?"

Akadaro Dee ndikaseka hangu nekuti gogo


vaitova busy nemwana zvikanzi "Ahh saka
waida ndikuvhiringei here kupanana
matsvodi kwamanga muchiita ,
nemakorokoto vazukuru vangu haa
zvaendwa izvi handioni semuchada umwe
mwana" takabva taseka kani asi Dee aiita
achifinyama kumeso kwake kuratidza kuti
achiri mumarwadzo. Tese taiva takabata
vana ndikati "varudzii babe" zvikanzi "2
boys 1 girl" ndakaita sendicharidza
mheterwa nekufara haa mukadzi wangu
akanga akudza dzinza rangu ndikati
"handina mashoko now ndofunga
ndambokuudza babe. But kutsonga
vakatodza ani" ndakadaro ndichiseka
ndichikasimudza mudenga zvikanzi
"unogura mwana baba 3 wadireiko kuda
zviro haasati asimba muviri uyu" vakadaro
gogo vachityira kuti ndingawisa mwana
ndikamuisa pamakumbo chaipo vakati

"Kutsonga uku handi vabuda vari vatatu


here vachakura havo kana vakudya,nhai
Deri muzukuru kubva watanga nevana
vatatu haa Mwari vakanaka shuwa iyo
nhumbu yekutanga iyoyu." Haa chero ini
zvaitondishamisa chaiko ndinoziva kuti
vamwe vanoita kana vambozvara
zviya."ndine nzara Rea"
"Oh sorry babe ndakanganwa kutenga
chikafu unoda chii ndinotenga" akati
"ndoda sadza chairo" ndakabva ndabuda
kuenda kunotenga kwacho ,ndakatenga
ndikatengera gogo ma chips nedrink
ndikabva ndatodzoka ndikamupa akadya
kupedza rese ndakabva ndaziva kuti
mukadzi wangu aive arwadziwa nenzara.
Achipedza kudya akabva amwa hake drink
ndokubva ambotora mwana akamuisa
pamakumbo ake zvikanzi "uyu ndi Rea
chaiye" ndakabva ndaseka nagogo ndikati
"neyi wadaro" ndakabvunza akati "maziso
acho aya andiratidza ega" ndikati "havasati
vakuoneka kuti vakafanana nani
zvikachaoneka nekufamba kwenguva."

"Ngatiende zvedu kumba muzvere uyu


ambozorora pamwe anobuda mangwana
wodzoka uchimutora" vakadaro gogo
ndikati "okay gogo hapana chakaipa" moyo
wakanga uchida kuswera nevana ndikati
"byee babe usatsikira vana vedu"
ndakadaro ndichimutsvoda akati
"handimbovatsikiri ndokuona mangwana
handika,bye gogo kana ndava kumba ndoda
mugouya" vakati "zvakanaka muzukuru"

Ndakabva ndabuda nagogo


ndikavaperekedza kumba.Patakasvika
kumba kwavo vakati "Nhasi unorara here
muzukuru wee nekufunga mukadzi nevana"
ndikaseka ndichiti "pfungwa dzacho
hadzitosi pano gogo dzingori kuvana"
vakaseka havo tikaonekana ndokubva
ndaenda kumba. Pandakasvika kumba
ndakabva ndafonera dad ndichida
kuvazivisa nezve vana.

"Hello Rea"
Vakadaro dad ndikati "muriseiko dad"
vakati "ndinofara hangu akadiiko makoti
mazuvano" ndikati "makoti wenyu anofara
chaizvo kwave nana Samaita vaviri
namadhuve" ndakadaro dad vachibva
vambonyarara ende ndakaziva kuti havana
kunzwisisa vakati "unorevei Rea"said dad
ndikasekerera hangu ndikati "kwave
nevazukuru dad vakomana vaviri
nemusikana" ndakanzwa kufara kwavo
pafoni ipapo zvikanzi "uhm Samaita
iweee...ndini hereko ndave nevazukuru
vakawanda kudaro haa musikana ngaanzi
Pretty ndatoona pekurangarira mukadzi
wangu ipapo haa ndiye atova mukadzi
wangu wepiri" ndakaseka kani
kutombokanganwa kuti ndiri pa call."Zvino
Pretty wenyu uyu anokudai here?"
Ndakabvunza ndichiseka ndakanga
ndotowanza zvikanzi "wakamboona vana
Samaita vachirambwa here? Ndatopinda
machena ini ko ndichadei hangu"

"Munoda zvinhu dad" i said ndichiseka


ndokubva ndakata foni yangu ndokutura
hangu zvimafemo zvekufara ndikazvijatira
pamubhedha ndokuzvibvunza kuti "ndatove
baba 3 zveshuwa here" I smiled hangu
ndichiisa maoko angu kugotsi
kwangu.Zvaitondiitira dambe shuwa
handaifunga kuti Dee angandiitira vana
vatatu ,sakei mimba yake yaiti
ikambondivenga obva ambondifarira.
Ndakabva ndaziva kuti boys ndiro rainyanya
kundivenga.
Ndakazovhunduka ndanzwa foni ichirira
ndikaona vari dad vaive vafona ,ndashaya
kuti vari kudei futi sezvo ndaive ndabva
kutaura navo ndikati "Eh dad" ndakadaro
vakati "uri murume chaiye Rea ndakutya
mwanangu kutanga nevana vatatu haiwa
kwa Chimiro hakuna akambozviita" vakabva
vakata havo ndikaseka ndichiti "vanopenga
dad" ndikabva ndaisa foni yangu pa charger.

Nguva iyi ndakabva ndanogeza ,ndapedza


ndakanobika hangu chekudya sezvo zuva
rakanga ratovira.Ndakangobika ma potatoe
ndikadya ndikaenda kunorara. Ndaida
kufonera Dee asi ndakaona
sendinomunetsa ndikabva
ndatorara.Mangwana makuseni ndakamuka
kugeza ndikapedza ndokubva ndaenda
kumba kwagogo kunovatora. Ndakasvika
hangu vatopedza kugeza nekudya ndokubva
tatoenda.
Takasvika Dee akatorara asi aive asina
kurara hope. Paakaona tasvika akabva
amuka akati "morning daddy" ndikati "I'm
good babe wakarara sei nana 3 vako ava"
ndakadaro ndichienda paive nevana vaive
vakatorara havo akati "gogo mamuka sei?
Haa ini ndakarara bho ini havana
kumbonetsa ava" nurse vakabva vauya
vakati tibude hedu tikasimudza vana
tikaenda kumota.

Tasvika kumba gogo vakabva vatorana


nemuzukuru vavo kuenda naye ku
bathroom ndikasara ndichitora vana pic
ndikasendera dad vaive vasiri havo
online.Nguva yakapedza Dee kugeza akabva
auya kwandaive ndikati "gogo varipi" akati
"ku kitchen vari kubika"

Ndakabva ndamubata maoko ake ndikati


"Mai mwana wandifadza kundiitawo
murume chaiyo handizive kuti ndokutenda
sei babe ndiudzewo chauri kuda ndikuitire
mukadzi wangu ndiri kufara ini." Dee wacho
aingosekerera hake akati "chamunokwanisa
baba 3 ko vana tovapa api mazita" ndikabva
ndati "hanzi na dad musikana ngaanzi
Pretty ndiro zita ravamwene
vako ,machinda maviri ava ndoda vanzi
Peacemore na Promise" she hugged me
aine mufaro wakanyanya kana ini
ndakafarawo ndikamumbundira.

"Woow ,akanakisa kani mazita acho saka


Pretty ndimai vako zvee ava" aireva mwana
ndikati "Eh ndimuchembere" akaseka
achinochinja hembe dzake tikabva tazoenda
kunodya zvaive zvabikwa nagogo.Tapedza
kudya vakati "yeah , ikozvino makura
vazukuru vangu kana maimbonetsana ibvai
masiya katsika kacho ikako mave vanhu
vakuru imi mukaona makunzi Mai 3 na baba
3 kuratidza kuti makura. Rongai zvinhu
zvenyu muchiwirirana pasina kupokana zviri
kunzika hazvo here"

"Panzika gogo haa takura shuwa" vakati


"ndizvo chaizvo ini ndakuda kuenda kumba
kwangu ndinotyira mbavha hazviiti kuti
parare pasina munhu.Regai ndidziise mvura
ndisiye ndagezesa vana" vakabva
vatonodziisa mvura yacho. Payakadziya
vakabva vanogezesa vana ini ndikamboenda
panze kunotenderera hangu ndiripo.

"Gogo vakuda kuenda baba 3 huyai


muvaperekedze." Ndakabva ndanotora
makiyi angu ndikabva ndaenda nagogo
kunovasiya kumba kwavo ndokubva
ndazodzokera hangu kumba.

*CLEOPASS*
"Kumba hakusi kurarika hama yangu
ndatambura ini kuda kungoisa musoro pasi
ndototanga kunzwa kuseka kwe munhu asi
izwi racho ndere mukadzi wangu"i said
ndichiudza shamwari yangu ndiri
kubasa,ndakada kuedza kushanda asi simba
ndakanga ndisina nekuda kwezvakange
zvoitika pamba pangu. Paya ndaiti zvapera
asi kana zvakazouya futi zviri worse.Zvino
ndakange ndoshaya kuti ndodini nekuti
ndakanga ndagumirwa ini."Natsondiudza
kuti wakamboita zvekudii kusvika pakuti
mukadzi azviuraye" Akabvunza Tudhe
ndikambokwena musoro wangu kuri
kutonyara kutaura nyaya yacho."Kutaura
chokwadi ndanga ndisina respect
kumukadzi wangu ndaingoti chero zvazvaita
ndichimurova pandinenge ndanzwa kuda
mahure ndichienda nawo paden
aripo ,ndakunatsa kuona now kuti
ndaishaisha Tudhe ndiri kudemba ini ende
ndakuona kukosha kwemukadzi wangu
nekuti afa ,musha mukadzi Tudhe pasina
mukadzi apana chinofamba haa
ndapererwa ini"

Ndakadaro ndongodzungudza musoro


wangu akati "doro racho waizorinyanyawo
Cleo mukadzi wako aive akatoshinga shaa
ukaona munhu ozviuraya anenge apererwa
uye anenge arwadziwa I think wadzidza
shaa,handisi kuti mukadzi haarohwi asi
zvimwe zvacho zvinoda kuonawo shaa,dai
waimusvikira aine chikomba mumba haa
izvozvo zvinonzika hazvo chero kurova
unokwanisa zvako kwete kungoda kurova
kupedza shungu dzako pamunhu asina
kutadza. Zvowofana kuita ndezve
kudai ,iwewe unofana kutoripa ndiko kuti
kumba kurarike uko pasina izvozvo
hamboregi kukunetsa mweya wake hauna
kuzorora shaa ane shungu dzakanyanya
mukadzi wako."
Akadaro Tudhe ndakamuti nde-e mumaziso
chaimo ndikaona kuti zvaataura zvine
musoro pamwe Annah angambomira
kundinetsa."manje ndoita sei kuti ndiripe
kwacho" ndakabvunza nekuti hapana
chandaizivawo ini panyaya dzekuripa
ngozi."wotoenda kunotaura nevabereki
vacho ndivo vachaziva zvekuita" ndikati
"ukati ndichagara here ndakutoenda shaa
ndirare ndanzwa kuti zvakamira sei" i said
ndichitosimuka akati "ndokuona mangwana
shaa" ndikati "bho Tudhe ndichaisira boss
message kuti ndiri kurwara ndione
kufambira nyaya dzacho zvakanaka"
"Yeah ,wafunga apa nekuti basa
ringazokuvhiringa" ndikati "sharp chibaba"
ndakabva ndatotora kabag kangu ndikarova
pasi.

Ndakasvika kumba ndikatsveta chibag


changu ndokubva ndatobuda kunanga
kumba kwana Annah.Pandakasvika
ndakaona vakagara havo murume
nemukadzi vachitaura nyaya "vepano" I said
ndichiuchira maoko semukwasha zvee asi
mukwasha wacho ndiye benzi hake "svikai
henyu" vakadaro Mai vacho vachidairira
mumhino ndikati chikuru ndadairwa hangu
hapana chakaipa I know vaive
vakanditsamwira havo havangatadze.

"Makadii baba naamai" ndakadaro


ndichiuchira futi maoko ndakatsikitsira huso
hwangu zvikanzi "Tinotamba hwakadii
hutano" vakadaira pamwe chete ndikati
"ndizvozvi zvamuri kuona" ndakadaro
ndaive ndapera ini kuonda chaiko,mamwe
mabhurugwa angu akanga odonha chaiko
kutadza kugara muchiuno.Ndaizoisa hangu
bhande kuti rirambe riri muchiuno ,pakabva
pamboita karunyararo ndokubva ndazoti

"Pamusoroi mama nababa ,zvamunoona


ndauya kudai hakuna chakanaka kumba
hakusi kurarika ndinoedzerwa ndakasvinura.
Nguva yandinoti ndirare ndinobva ndanzwa
kuseka kwa Annah , ndaona zvakanaka kuti
ndiripe hangu kutadza kwangu." Ndakadaro
ndoda kusvimha misodzi ndikaidzorera
nekukasira zvaitoda kushinga semunhu
rume.

"Ndizvo zvawafunga here mukwasha"


vakadaro baba ndikati "ndozvandafunga
baba" ndichinyora nyora pasi musoro
handina kana kumbousimudza zvikanzi
"hapana chakaipa isu zvatave kufana kuita
ndezve kutoti tidane n'anga inogara pakona
apo tione kuti mukadzi wako anoda kuripwa
neyi" vakadaro ndikati "zvakanaka baba
saka zvava zvarini izvi" ndakabvunza vakati
"mangwana ,chirega ndichisvika kune
n'anga yacho nhasi uno kuitira arare
achiziva agosvika kuno mangwana
makuseni ,iwewe wochikasirawo kuuya
mangwana acho" ndikati "zvakanaka baba
panzika" ndikaenderera mberi ndichiti
"ndave kukutizai mama mosara zvakanaka"
vakati "zvakanaka mukwasha"

Ndakabva ndasimuka ndokuenda zvangu


kumba.Ndakasvika ndokubva ndabika
kachisadza kangu nezvinyama zvacho
ndokubva ndangodya
zvemutemo.Raimbomedzeka zvakanaka
here sadza racho ndaive ndongodya zvekuti
ndione kurarama.Bhipi yaizonyanya kukwira
kana ava manheru ko handi ndaiziva kuti
hondo yacho yatanga hakurariki.

Ndapedza kudya ndakanogeza ndokubva


ndaenda ku bedroom,ndakangozvikandira
kabed ndichiboira zvimaziso zvangu. Nguva
dzakakwana kuva kuma 12 pasina
chandanzwa ,ndaive ndakangoteya nzeve
dzangu ndichiti zvimwe ndichanzwa Annah
oseka asina andina kana
kumunzwa.Handizivi kuti
ndakazobatirwawo nehope nguvai.

Kunze kuchiedza ndakamuka ndikanogeza


ndikapedza ndikati hutu kunanga kumba
kwa mbuyavasha.Pandakasvika ndakauchira
maoko angu ndikanzi ndipinde mumba
ndikaita sekudaro, mumba macho makanga
matova nevanhu I think dzaiva hama dzavo
kana n'anga yacho yakanga yavamo
ndakaziva nenhembe dzaive akapfeka.

Ndakakwazisa vanhu vakadaira havo


zvakanaka pakabva pamboita karunyararo
zvikanzi ne n'anga"regai ndichitanga hangu
basa rangu" akadaro achitora zvihakata
zvake akatanga kudzirovanisa uku achitaura
zvisinganzike.

Apedza kudaro zvikanzi "yeah, yeah ,


Mwanasikana akatsamwa chaizvo,ko nhai
amai pane mashoko amakambotaura
kumwana wenyu here?" Yakabvunza n'anga
iya amai vacho vachibva vaita sevanofunga
ndokubva vadzungudza musoro wavo kuri
kurambirana nazvo zvikanzi "fungai
zvakanaka amai" akadaro achibata bata
mishonga yake.Amai vakamboitawo
zvinguva vakati zii-i ndokubva vazoti
"mwanasikana akauya pano achiti haachadi
murume ini ndikamuudza kuti ndezve
kutodzoka kumurume wako handidi
kukuona pano so andina kuziva kuti
zvakamutsamwisa ende kudzoka kwaive
akaita ndaiti ndezve musikanzwa wake
nekuti vana ndozvavari ndaifunga kuti
kungotiza murume kuda kuita musikanzwa
ndosaka ndakamuti adzokere kumba
kwake"

Vakadaro vakutochema ,vakazonyararidzwa


nemurume wavo vakabva vanyarara ,
n'anga ikati "makashaisha amai , mwana
haanzwaro ingadai makatsvagurudza kuti
chii chaita mwana adzoke kumba" zvikanzi
"handina kuziva" vachipukuta misodzi yavo
zvikanzi "zvakanaka muzoenda paguva pake
munotaura zviri pamoyo wenyu,
mwanasikana wenyu ari kuda kuripwa
nemombe mbiri kuti mweya wake uzorore.
Mwanangu wotoshinga semurume ndizvo
zviri kuda mukadzi wako akakutsamwira
zvekuti dhu-u." Ndikati "zvakanaka zviri
munzeve" pfungwa dzangu dzakanga
dzatova kure chaiko asi zvaisandinetsa
hazvo kuti ndiwane mombe dzacho.
Zvakanga zvatovapo ndezve kuenda
kumusha kunotaura nevabereki vangu.

Nguva yakapera dare ndakabva ndatoenda


kumusha chaiko. Ko zvaigarika here hama
dzangu paisava nerugare apa. Ndakasvika
kumusha amai nababa vakafara nekundiona
asi ini ndaizvinetsa hangu ,amai vakatanga
kundiongorora ndikaziva hangu
zvavaitarisa."Hausi kudya here
Cleo"vakadaro ndikashaya zvekudaira
ndikabva ndati "ngatipinde mumba mama"
takabva tapinda mumba takakwazisana
zvakanaka zvikanzi

"Waonda mwanangu ndoziva uri monya


zvee ini uri kufunga mukadzi here
zvakatodarika mwanangu ndohupenyu
hwacho inzira yedu tose" vakadaro mama
vachindisimbisa ndikabva
ndavatsanangurira nyaya yakanga iripo vose
vakabva vakanuka zvikanzi "Cleo!!!!" Ndizvo
zvega zvakataura mama ,dad vakabva vati
"waive wapindwa neyi mwanangu
zvaunenge wakakura uri mwana kwaye
wani zvedoro izvi wakazvitanga rini" ndikati
"ndakatotadza dad ngatirongei
zvandafambira ndozokutengerai mombe
dzenyu"

"Handidi kuzonetsana newe Cleo woramba


kutenga mombe dzangu" vakadaro
vachibuda panze ndikateverawo ndichiti
"handimbodaro dad" takabva tananga
kudanga remombe vakabva
vandinongedzera mombe dzacho ,paiva
nechimukono nekatsiru vakati "ndidzo
mombe dzacho" ndikati "maita basa
dad ,kuchingoedza ndobva ndatodzitinha
ndoenda" vakati "zvakanaka Cleo" takabva
tadzokera mumba tikadya hedu
tikaparadzana ndikanorara.

Mangwana makuseni ndakangomutsa mom


ndichida kunzwa kuti varara sei, ndakabva
ndatotora mombe ndikaenda ,Mai va Annah
na baba vacho vachindiona vakabva
vasekerera ndikaziva kuti kufarira mombe
uku. Handina kuzogarisa ndakabva
ndatoenda hangu kumba kwangu.Izvi
zvakanga zvapera handifungi kuti Annah
aizondinetsa zvakare.
*End of chapter*

[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this


link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/EdhriVQrsnI7vv
DH4uycuk

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*
*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 58*

*KIMBERLY*
"Hanzi chii? Ko vari kudei?" Akadaro Dudu
ndichangobva pa call yandaitaura na
nurse.Ndakabva ndagara pasi ndichifunga
kuti kunei , pfungwa dzangu
dzakatomhanya kufunga kuti zvimwe
mwana awanikwa hake."hanzi svikai kuno
na nurse ava" ndakadaro ndichimuudza
achibva abuda mu blanket akati "kwaitei
futi" ndikati "anditozivewo ,iwewe
wotoenda ndosara nemwana
handingambonzerereki nemucheche uyu"
ndakadaro paya akati "kwete,hande
tinozvinzwira tose" ndakazobvuma
ndikabva ndaenda kunogeza Dudu akasara
achitamba nemwana.Deon wacho akanga
atomuka hake ,ndakapedza kugeza
ndikanyika towel remwana mumvura
ndikamupukuta nekumuzora mafuta.

Dudu akanga atoendawo kunogeza ,


ndakabva ndatopfeka hembe dzangu
nekupfekedza mwana wangu.Handina
kubika ndakangoti patinobva kunoona
nurse ndobva ndabika todya.Takapedza
kuita zvose ndokubva tatoenda
kuchipatara.Ende ndakanga ndoda kunzwa
kuti kuneyi chaizvo chavatidanira makuseni
akadaro.

Tichisvika takatowana vakatigarira padoor


ndokubva tapinda tose mukati vakatipa ma
chairs ekugara ndokubva tagara
tikakwazisana ndokubva pamboita
runyararo vachibva vazoti ,"
vanangu ,ndinokumbirawo musandisungisa
please basa rangu rinopera mhuri yangu
inoda kudya vanangu manje bas...."
ndakavamisa vasati vaenda kure ndikati
"ndizvo zvamatideedzera here zvekuda
kutidembera zvemhuri yenyu ,kana musina
zvekutaura matidanirei kuno inini ndiri
kungoda kuona mwana wangu zvamave
kutaura izvo hazvina kana musoro.Haa basa
ndiro riri kutopera makajaira zvisina basa
munodireiko basa racho musingarigon...."
"Babe!!"akadaro Dudu ndisati ndapedza
kutaura ndikamutarisa neziso ndikati "babe
kudii? Asi uri kutozvifarira kahi
zvekushaikwa kwe mwana wedu"

Ndakadaro ndakutobhoikana chaiko , nurse


havana kuda kuita dzungu vakanga
vakatonyarara havo zvikanzi "mira vapedze
kutaura" ndakabva ndanyarara ndamirira
kunzwa pane nyaya yavo chaipo." Mwana
haana kufa mondiregererawo" nyoka
dzangu dzemudumbu dzakabva dzarira
nguva iyi ndikati "Saka aripi?" Ndichibudisa
maziso angu vakabva vatipa mapepa aiva
pamberi pavo andina kuziva kuti aiva eyi.
Dudu ndiye akamatora akatanga
kumaverenga ini ndakanga ndosvusvudzira
Deon aive oda kuchema.
Pasina nguva ndakaona Dudu achinja chiso
chake ndikatadza kuziva kuti chii chaita
adaro.Ndakabva ndabereka mwana wangu
kumusana ndokubva ndatora mapepa aya
ndichida kuzvionera
ndega,pandakamaverenga ndakaona paine
zita ratete Edina zvichiratidza kuti pane
zvavakasainirana zvikanzi "ndiye munhu ane
mwana aida kundipa mari but anga asati
abhadhara mari yacho , please
musandisungisawo vanangu ndokumbirawo
mundiregerere" handina kumbozviterera
zvavaitaura izvo.Ndaive ndonzwa kutsva
ndichibitirirwa nehasha.

Tete Edina andina kuziva chavaive


vakandivengera chacho.Andina kuda
kuzoramba ndichitaura na nurse ava
ndakabva ndadhonza Dudu ruoko rwake
ndokubva tabuda kuenda,tichisvika pamota
ndikati "taura-ka" handi ndiye aive
akambondirova achiti wakamboona tete
vachiroya ko uku kuroya kudiki here."unoda
nditaure chii Mai Deon. Tiri kutopedza
nguva hande kumba kwatete Edina"
akadaro achindivhurira door remota
ndokubva ndapinda ,andina kuda
kuzowanza nyaya takabva taenda.Takasvika
kumba kwavo Dudu achibva abuda
kwakufambisa kupinda mumba ini
ndikasara ndichiradzika mwana pa seat
achibva atorara ndikaburuka ndikanzwa
mumba yave mhere mhere ndikashaya kuti
zvazvipi futi ndokubva ndatomhanyawo
kupinda mumba. Ndichangopinda mumba
ndakanzwa kurira kwembama ndikamhanya
kwavaiva ndikaona Dudu achirova
tete ,vakazopiwa chibhakera chekuti
vakabva vazeya vakadonha pasi.

Dudu aioneka kuti akatsamwa


chaizvo ,andina kumboda kubata ndakasiya
zvakadaro ndikatanga kutenderera mumba
mavo ndichitsvaga mwana
wangu.Ndakatsvaga ndikaneta ,ndaive
ndachipererwa manje apa ndaive ndofunga
kuti zvimwe akatourawa haa misodzi
yakabva yati mokoto neangu
matama."babe,,,babe" aiva Dudu aindidana
ndikaramba ndakanyarara achibva azouya
kwandaiva akatanga
kundinyararidza ,"chirega kuchema kani
babe ngatitsvage mwana pamwe akavigwa"
takabva tatanga kutarisa tichitsvaga pese
pese.

Handizive kuti chii chakaita kuti ndiende ku


bedroom kwavo ndikatarisa pasi
pamubhedha ndikarohwa nehana
ndichimuona akarara murusero ndakabva
ndatongodonha ipapo ndikatoti
zii.Ndakazomuka ndadirwa mvura kumeso
kwangu ndikatanga kutarisa kwese kwese
ndikaona Dudu akachonjomara pandaiva
achitoratidza kuvhiringika.
"Waitwei?" Akadaro achindibvunza
ndikabva ndatarisa pasi pamubhedha
paya ,moyo wangu wakabva waenda kure
ndichiona mwana wangu akarara murusero
veduwe zvakaoma andina kuziva kuti
ndochirudzii ichocho."mwana wedu ari apa
uyu baba Dee" ndakadaro ndichidhonza
rusero ruya ndikapera simba ndaona
akazorwa zvimwe zvinhu kumeso zvaiva
zvakaita white muruoko akasungirwa
katambo kered neka chinhu kaiva muhuro
kaipenya kaisanatsa kuoneka kuti colour
yacho ndeye rudzii.

"Uhm Mwana wangu kani" akadaro Dudu


achimusimudza ini simba racho ndakanga
ndisisina kani ,zvinhu zvacho zvaive
zvakaoma ende zvaitokunda ngoma kurira.
Hameno akanga oda kuinzwa chikwambo
here mwana wangu ,kana kuti vaida kuti
akure achiroya zvakaoma kani zvinopedza
simba zvinhu zvacho.Mabhonzo angu
akanga agurika gurika chaiko zvekuti
kufamba ndakatadza ini ndikangoti rabada
pasi,ndakaona Dudu obuda mu bedroom
matete umu ndikasara ndirimo. Pasina
nguva ndakaona akuuya achibva
andisimudza akaenda neni kumota.Ava tete
Edina handina kuzoona kuti vakanga
vaendepi.

"Chinyarara babe mwana wedu tava naye"


hongu takanga tava naye hedu asi zvaaiva
zvacho ndizvo zvaishungurudza moyo
wangu , akange akuita sekuti haasi
mwana.Dudu akabva andipa mwana
mumaoko angu ndikamubata ndokubva
ndaramba ndakamutarisa akanga atomuka
hake ,chiona kufanana nemumwe wake
zvaisambobvunzwa.

Takaenda kumba kwedu ndikasvika


nekudziisa mvura ikadziya ndikabva
ndamubvisa hembe ndikazofara ndichiona
ari musikana ,zvese zvaive akasungirwa
ndakabva ndazvicheka ndikapa Dudu
akanozvipisa.Ndapedza kumugezesa
ndakabva ndatogezesawo mumwe wacho
ndikavapfekedza zvinodziya ,"babe" said
Dudu ndikati "hello" ndakadaira
ndakadhinhiwa zvisingaiti kana mufaro
wangu wakanga uri kure."sorry mukadzi
wangu pane zvatakambonetsana zviya
pamusoro pa tete Edina hapana
chandaizivawo babe sakei
ndakakurambira.Nhasi ndazozvionera babe
nyaya yacho haiperi yakadaro ava ndivo
vanofira kujeri chete nechi nurse chavo
ichocho." Akadaro Dudu ndikamushaira
mashoko ndikatura mafemo ndakatarisa
vana.

"Taura neni babe i know uri kurwadziwa


chero ini ndiri kutorwadziwa ,zvaiva
zvakaita mwana hazvitofadzi babe
zvinotoratidza kuti pane zvaakaitwa izvi
zvinoda tizotoenda naye ku church
anonamatirwa" ndikati "handina mashoko
murume wangu chandoda kungokuudza
ndeche kuti ndine bundu pamoyo
pangu ,mwana andakagomera ndiye oda
kuitwa chikwambo here? Zvakaoma hazvo
zvandirwadza kani kuzomuisa murusero
ndiko kwandipedza simba" i said ndoda
kutochema achibva andinyaradza
ndikanyarara ,"Saka anonzani uyu"
ndakabvunza akati "Delight" akadaira
achizvikandira pabed ndokubva ndatora
foni ndikaisira mama sms yekuti svikai kuno.

"Kugara rugare babe wangu rega ndimuke


ndiende kumapurisa" akadaro Dudu
achimuka ndikati "okay ndokuona wadzoka"
akabva abuda ndikasara ndichibika ,ndiri
pakati pekubika ndakabva ndafonerwa na
mama ndikadavira "hello mama" ndakadaro
vakati "ndofamba sei?" Ndakabva
ndavatsanangurira mafambiro acho
vakati"ndiri kusvikako manje manje"
vakadaro vachikata foni ndikabva
ndatoitawo fast pakubika.Ndaida vasvike
ndapedza kubika handina kuzopedza hangu
nguva ndakanga ndapedza.

Ndakazonzwa knock pa door ndikaziva kuti


ndivo ndikanovhura ,"dumbu riri kupi"
vakadaro ndikaseka ndichiti "pindai mumba
totaura tagara pasi" takabva tanogara ku
dining ndikaita tv on ndikaisa volume pasi
ndikati "regai ndigadzire food" ndakadaro
ndoda kusimuka vachibva vati "ndabva
ndadya ini enda unonditorera hako mvura
yekumwa kwapisa uku" ndakanotora mvura
yacho ndikavapa vakamwa.

Vachipedza kumwa vakati " dumbu


rakaendepi kimbi" ndikadaira ndichiti
"ndakapona zvee mama mave nevazukuru
vaviri" vakabva vanditarisa ndikaziva kuti
havasi kuzvi believer vakati "usandiudza kuti
uri kunyepa" ndikaseka ndichiti
"ndogonyeperei?" Ndakadaro ndichisimuka
kunotora vana ,ndakatora vana ndokuenda
navo ku dining ndokubva ndavapa. "Yowee
yoweee kutanga nevaviri here inga ndakura
kani ndozodeiko hangu kudada kusada
kangu" vakadaro vachinditambidza vana
vachibva vasimuka vakatanga kuridza
mhururu vachirovera zambiya ravo
pasi.Ndakaseka kani ndichiona mama
vachifara ,vapedza kutamba ndakabva
ndatorerwa vana vaya vakati

"Nemakorokoto mwanangu vanonzi


vananiko?" Ndikati "Deon na Delight" vakati
"nofunga baba vacho vari kufara ko gogo
vacho makatovaudza here kuti kwane
vazukuru" ndakabva ndati "hatisati"
ndokubva ndavarondedzera nyaya yakanga
iripo ndikaona vachipererwa chaiko
ndokubva varamba vakanyarara vakazoti
"inga zvakaoma kani vambonyanya
kurwadziwa neiko tete ivavo chakaita vabe
karusvava ikaka,ukati vanga
vasingatoshandisi mwana iyeyu here husiku ,
zvimwe zvacho zvinorwadza kani zviri
pachena kuti vanoroya" vakadaro mama
ndikati "ndarwadziwa kani mama
handaifunga kuti vangadaro vane moyo
wakaoma chaiko"

Takataura nyaya dzakawanda namama


vachibva vazooneka vakaenda ,havana
kutoonana na Dudu nekuti akanga asati
adzoka. Ndakatoshaya kuti chii chaita
anonoke kudaro.

*MELISSA*
Ndakasvika pakubatirwa nehope Tinashe
asati auya , message yake handina
kumbobvira ndaipindura ,ndakatoona kuti
ndikamupindura ndingatowedzera hasha
dzake.Kunze kwakaedza ndikaita basa rangu
semazuva ose.Andina kubika nekuti nzara
yacho ndaisainzwa.Nguva iyoyo ndakafunga
kufonera mama ndichida kuvaudza
zvakanga zviripo.

"Hello"
Vakadaro ndikati "makadii mama" neka
voice kaiva pasi pasi vakati "warwara here"
vakabvunza ndokubva ndatoona matangiro
enyaya yangu "Mama ,ndakanga ndichimwa
mapiritsi sekutaura kwamakaita paya manje
murume wangu akazviona achibva
atsamwa ,taive takataurirana kuti tigoita
mwana zvino manheru haana kurara pano
nekuda kwenyaya iyoyo akutotaura
zvakawanda uye akutofunga kuti ndiri
kuhura ndodini Mama"
Ndakanzwa vachitura mafemo vakati
"mwana achiri mudiki Melissa taura
nemurume wako zvakanaka ,shuwa
karusvava ikako moda kutokaitira mwana
hamuoni kuti hazviiti here?
Ndotozvinzwisisa kuti akudawo wake asi
imboti mirei taura naye anzwisise " ndikati
"kuita mataurirei nhai mama akatsamwa
uyu ndiri kutoshaya kuti ndoitanga sei"
vakati "ndini ndakaresva ndakati imwa
mapiritsi iwawo ndaifunga kuti murume
wako uyoyo ari kuda kutamba newe
ndakazoona kuti ari serious nekubvisa roora
kwaakaita ,zvàvapo ndezve kutotevedzera
zvaanoda mwanangu inini hapana
chandingatonga mumba mako nekuti
mukwasha akabvisa roora dai asina
ndaigona kuti hakuna zvakadaro. Chiita
zviripo mwanangu wototaura naye
wakapfava uchimunyengerera uchimuita
zvinoita kuti kutsamwa kupere. Ndini
ndatove tete vako handinyari kukuudza
kana adzoka kwacho mugadzirire size
nofunga zvandiri kuedza kutaura uri
kuzviziva rega ndidzoke pabasa mwanangu
ndiri busy wena ariseiko Liesl" ndikati "ari
right mama maita basa bye"

Ndakabva ndakata foni ndokubva


ndazvigarira hangu ndichitamba neka
mwana kangu.Paakarara ndakabva
ndatowacha hembe ndikapedza ndokubva
ndaenda kunobika ndichiitira kuti Tinashe
agosvika ndapedza kubika nekuti zuva racho
rakanga rorereka.
"Waswera sei babe" ndakacheuka ndikaona
ari Tinashe aive atouyà ,akandimhoresa
achitonanga kuenda ku bedroom ndokubva
ndatotevera ndikamira padoor ndainge
ndaona achitamba nemwana achiti "I miss
you baby , daddy vadzoka nema sweet"
akadaro hake achimusimudza simudza
ndikatoyeverwa hangu nezvaiita.
Akazoisa mwana pasi akakurura hembe
ndipo pandakazoti "waswera sei babe"
akabva adaira achiti "ndiri right" akabva
ayenda ku bathroom ndokubva ndatevera
ikoko tikatanga kugeza
tese ,ndaingomugumha gumha nemagaro
angu ndokubva ndakanda ziso rangu pana
junior wake ndikaona atotsamwa ndikaziva
kuti zvangu zvaita.

Ndakabva ndaenda kumashure kwake


ndikabva ndaisa maoko angu muchiuno
make ndikatanga kumafambisa zvishoma
shoma ndakananga kuna junior wake,iye
wacho akanga akatopfava hake achiterera
zvandaiita.Ndadaro ndokubva ndamukisa
kisa muhuro make ndikaona akutotendeuka
kutarisa kwandaiva achibva atotanga
kundikisa ndikadzorera ,ungazoti ndiye
munhu uya aive akanditsamwira
here.Takabva tatotamba mutambo
wevakuru imomo ndokubva tazopedza
kugeza tikaenda ku bedroom ndikati "am
sorry daddy pane zvandakaita kumwa
mapiritsi usingazive ndakatyira kuti mwana
achiri mudiki zvekuda kuita mwana
ndaitoda hako sorry hako kusazokubudira
pachena."

Ndakadaro achibva ati "zvakatopera babe


hapana zvatingaita nekuti wakatozviita
chakanyanya kundibhowa inyaya
yekusandibudira pachena ndoda munhu
anotaura chokwadi uchiona zvisingaiti
anotaura handimbotyisi ini next time
usazvidzokorore." Ndikati "ndazvinzwa
daddy va Liesl" akati "okay babe huya pano"
ndakabva ndaswedera paaiva achibva
andizevezera munzeve dzangu kuti "wanga
wakandirongera-ka" ndakabva ndaseka
ndichiti "neyi" akati "wandigona nhasi
ndanzwa parere moyo babe" ndikati "thank
you" akati "ngatipamhe futi" ndakaseka
hangu ndaive ndisati ndatopfeka hembe
tikabva taita futi.

"Saka mwana tozoita kana amboti kure


kwacho babe ndoda kuita zvaunoda"
ndakaona hangu zvakanaka kuti ndiite
mwana wacho nekuti aive odawo wake ,
handina kumubudira hangu pachena ndaida
kuzomurova ne surprise ndikangoti "ehoyi"
achibva ati "ndakarara kumba kwe friend
yangu maybe ungatofunga kuti ndakarara
kuma hure handiite izvozvo ini , Liesl haana
kunetsa here manheru" ndikati "haana
hake" akati "nzara babe wabikei"

Akadaro achienda ku kitchen , ndakanga


ndapiwa murume anonzwisisa ini nekuti
zvandaifunga ipapa ndaitoti zvimwe
hambondinzwisisi.Ndakatevera ku kitchen
kwacho ndikaona akutopakura chikafu
chacho tikabva tatodya.
Tiri pakati pekudya takanzwa Liesl
achichema achibva anotorwa na Tinashe
akauya naye zvikanzi "anonzwa kuti vamwe
vakudya" akadaro achimunanzvisa zvi soup
ndikati "woda kumudzidzisa kuti azokara"
akati "Ah kukarei babe rega mwana wangu
adye kani" haana kuzomupa hake achibva
atodya mwana ari pamakumbo.

"Kana ndahora ndichakupa mari yekutenga


hembe dzemwana ari kusimba uyu manje
manje anodzisiya dzainadzo idzi" Haa
zveshuwa munhu wacho aikura hake ndikati
"oky thanks" akati "unotenda ko ndakupa
here mari yacho" ndakangoseka hangu
ndokubva tapedza kudya ndikasuka
mandiro Tinashe akati "ndiri kudzoka babe"
ndikati "uri kuendepi nemwana" akati
"ndodzoka babe handisi kuenda kure"
ndakamusiya achienda apa aive akabereka
mwana nechibhabhu , mwana aimuda hake
zvandaiona ndega. Akazodzoka akabata ma
drinks mumaoko ndikamaisa mu fridge.

*End of chapter*

*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Ios8pJVRKQMH
lNt7dCSxKE

*POOR SHUPIKAI*
*WRITTEN BY*

*SHELLY*

#0621141536

*CHAPTER 59*

*LIZZY*
Ndakati ndapinda mu town kunotenga
grocery rangu ndokubva ndati dhuma-
dhuma na mai Dee ,pavakandiona vakabva
vauya kwandaiva ini ndokubva ndamira
hangu handina kumboratidza
kuvatya.Vaitooneka zvavo kuti
vakanditsamwira ndikabva ndaziva nyaya
yacho asi andina kuita basa nazvo.

"Saka uri kuti wakatogona here?" Vakadaro


vachangosvika pandiri kana
kumbondimhoresa havo havana. "hezvo ,
svikai zvakanaka kwete kuda
kundivhundutsira" ndakadaro hangu
ndichiisa grocery rangu kubhuti.Ndapedza
kuisa ndakabva ndavhara hangu bhuti
ndokubva ndanatsa kumira zvakanaka
ndakatarisana namai Dee."unondishamisa
mwana mudiki akaita sewe kushinga kutora
murume wangu kunyangwe takanetsana
hedu unoti aizotadza kundiregerera here?
Wagara waimuda murume wangu
iwewe.Dai wanga uri mumwe wasiyana
naye zvisati zvashata uye usati wamitiswa
nekuti nerimwe zuva unogona kungochema
shaa handidi kukunyepera usazoti andina
kukuudza."

Ndakatanga kubwaira maziso angu asi


ndakabva ndakasira kubvisa kakutya
kakanga kava mandiri.Ndaisafanira
kuvaratidza kuti ndiri kutya , kunyangwe
vaida kundibatira mishonga yavo iyoyo
zvaizoshaya simba chete ndokubva ndati
"Haa ,moda kuita zvamajairaka manje
handimbovhunduke ini ende kurohwa
kwamakaitwa kuya hamuna kurwadziwa
chete dai makarwadziwa maisambotaura
zvamuri kutaura izvozvo. Bvumai kurambwa
mom's ndimi makazvikanyira mega apa
magara maisadiwa futi ,chamunoda
kuramba makanamira pamurume wangu
chiiko endai munotsvaka anokudai nguva
iripo. Shuwa mungada kutonzwa godo
nekuti ndadiwa nababa Rea aaah imi ityai
Mwari mhani sei musingakuri.Handisi mai
Rea vamakauraya sehuku inini handinzwaro
ini ndinofa nenguva ya Mwari ah hezvo
mune mhepo imi."

Ndakanga ndonzwa hasha ini ende ndaisada


kuvaratidza zvandiri but nekuda
kwemashoko avo ndiwo akaita nditaure
zvandinoda ,"Lizzy!!!" vakadaro vatsvukisa
maziso andina kumboratidza kukwata ini
huroyi hwavo ihoho ndaida kuhuona kuti
hwakamboita sei chaizvo. "Chanetsa chii" I
said ndakuda kutoenda zvekuramba
ndichinetsana nemhepo ndakanga
ndisingadi. "Namata mudzimu wako
ufambe newe iwe haunatsi kundiziva
zvakanaka" handina kuzodavira ndakabva
ndapinda mumota yangu ,ndakavaona
vakafutisa matama ndikati hameno ikoko
vakanga varwadziwa nemashoko angu sei
vachida kuzviona semunhu akangwara.
Ndakamutsa mota ndokubva ndaenda
kumba.Ndichisvika kumba ndakabva
ndadzikisa zvinhu zvangu ndikapinza
mumba ndokubva ndadzokera futi ,"regai
ndikubatsire" vakadaro mama vachiuya
kwandaiva ndikati "mozvinetserei henyu
mama ndinotakura ini" ko
vakambozviterera here vakabva vasimudza
zvinhu vakapinda nazvo
mumba.Ndakateverawo ndikatsveta zvinhu
ndikaenda ku bedroom kwangu
kunosweresa Samaita wangu.

"Mummy"
Vakadaro ndichangopinda mu bedroom
vachibva vatomuka vakagara pasi ndikabva
ndavhara door ndikabva ndavapa tsvodi
vakasekerera vachiti "watodzoka" ndikati
"Eh hangu maswera sei?" Vakati "ndaswera
bho" ndikati "ko zvandoitirwawo namai
Dee ndizvo zvipi nhai Samaita vari
kundibhejera kuti handigari nemi nemadiro
andokuitai" vakabva vasekerera zvikanzi
"usavhundutsirwa babe ,ini newe tatova
nyama imwe chete izvo zvamai Dee ndezve
kutopenga kwake. Koiwe wakamutadzirei
angada kutobhejerana newe ajaira
zvemushonga zvake uyo this time hapana
chinoitika mukadzi wangu. Kubata
mushonga kwake kwaachaita ikoko ndiko
kutowedzera kwerudo rwedu ndinokudisa
kani mukadzi wangu handitode kukushaya
muhupenyu hwangu ,hamusati mava
nemwana here umu"

Vakadaro vachibata dumbu rangu ndikabva


ndaseka ndichizviwisira pamubhedha
vachibva vatokisa dumbu rangu vachiti
"ngazvikasire kuita ndave kuda mwana
zvimwe ndinogona kungofa anytime"
ndikati "hamudaro zvee Samaita hakuna
kwamunoenda muchindisiya hamufi
manzwa" ndakadaro ndichitamba nendebvu
dzavo vakanga vaitawo zvekurara tikabva
tatarisana zvikanzi "ndimbodiridzira here
babe hakusati kwaomerwa here?"
Ndakaseka ndichinyara haa baba ava vaiva
nemoto mubhurugwa mhani kana dziri
nyaya dzerudo vaiziva havo zvavanoita.

"Kwaomerwa" ndakadaro ndichinyara


vakabva vatondinama kiss vakati"toita
manheru handiti chimboenda unotandadza
mama vangasurukirwa voga voga" ndikati
"Ehoyi ,ndichauya nefood yenyu" zvikanzi
"zvakanaka mai mwana" ndakabva ndaenda
kwaiva namama ndikasvika vachiona havo
tv vaitoifarira havo.

"Mega mega"
Ndakadaro ndichizvijatira pasofa vakati
"ndodiniko tv yacho zvainotonakidza nhai
ndaive ndajaira kuswera ndichiona tsoko
kumusha uko zvino kuno kuchirungu kuri
kunakidza" ndikaseka ndichiti "kuno kune
zvese mama kwasiyana nekumusha"
ndakadaro vakati "zvese ndazviona mashura
awasangana nawo" ndakavhunduka wena
ndikati "maonei" ndaida kunatsa kuona kuti
mama vanoona zvechokwadi here zvikanzi
"angokuvhundutsira chete zvemushonga
haachade kuzvinzwa uyo chaari kuda
ndeche kuti usiyane nemurume wako"
ndakapererwa kushaya mashoko chaiko.
Apa ndaitotya zvangu kubatirwa
mushonga,ndakangoti "hoo" ndokubva
ndaenda kunobika chikafu che
manheru.Ndakapedza ndikapakura
ndikadya namama ndapedza ndokubva
ndavaoneka ndikanotora chikafu cha baba
Rea ndikaenda ku bedroom. Ndakavagezesa
maoko vakabva vatanga havo kudya chikafu
chavo.

Vakapedza ndikarongedza mandiro


ndikabva ndanorara ,takatanga kuita
zvatakanga tataurirana masikati acho
tikapedza ndokubva tarara hedu.

Mazuva akafamba ndakanga ndakurwara


nemusoro , wairwadza zvekutadza
kusvinura maziso angu ,ndaitozvimanikidza
kuita basa nekuti paisava neanondibatsira.
Mama vaizama kuda kuita basa asi zvimwe
zvacho vaisaziva mashandisirwo azvo
ndikavati varege kuita basa racho.
Ndakazoenda kuchipatara ndikaonekwa kuti
ndine nhumbu ndipo pandakapiwa mapiritsi
zvakabva zvaita nane. "Ndine nhumbu
Samaita" ndakavaudza ndichangobva
kuchipatara vachibva vandimbundira vaine
mufaro vakati "haa ndafara mukadzi wangu
tadii tasvaga hedu musikana webasa sezvo
hausi kunzwa zvakanaka ndoda kuti Raphael
akure zvakanaka babe" ndakaseka hangu
kutopiwa hake zita asati azvarwa ndikati
"musandityira Samaita nditori bho
ndakadaro basa ndinoita hangu ko mimba
yacho iri mumaoko here" vakati
"unokuvadza mwana wedu kani babe"
ndikati "haa kana ndiko kuti agobuda
akasimba simba ndikajaira kurara
anozobuda akaneta" zvikanzi "ndanzwa
mukadzi wangu"

*KIMBERLY*

"Wanga uchiri ku police here baba Dee


kubva nguva iya" ndakadaro ndichibvunza
paaiva asvika akatanga kupuruzvira mhanza
yake , akauya kunze kuchangosviba apa
ndakanga ndotomutyira kuti zvimwe pane
zvaasangana nazvo akati "zvakaoma babe
zvinhu zvacho ungati zvine mhepo mukati
mapurisa acho kuramba zvavo kuvasunga
vangoswera vachindibvunza zvimubvunzo
nhando" akadaro achidzungudza musoro
ndikati "Saka vati kudii nhai handi
vanofanira kusungwa here sei vachidaro
nhai veduwe" ndakadaro ndotopera zvangu
simba kushaya kuziva kuti chirudzii chinoita
mapurisa iwawo akati

"Ah ,babe ndaona sevakatobhadharwa mari


ini vanenge vanozivana ava vati ndigodzoka
mangwana ,hazviiti kuti tete Edina varege
kusungwa nekundirwadzisa kwavakaita
nyaya yacho yongorova here haa kana
vanofira mujere chete" akadaro achitora
mwana ndikati "imbomirai kuita zvevana
hande tinodya vasati vamuka kana vamuka
ipapa hatingazombodyi" takabva taenda
kunodya hedu tichipedza ndakarongedza
mandiro Dudu akabva auya pandaive akati
"nguva yandanga ndakubva ku police
ndataura na dad namama ndichivazivisa
zvevana nezve nyaya ya tete Edina vabva
vati vari kuuya so handisi kuziva hangu kuti
vanosvika rini" ndikati "woow ,inga vagona
kana vati vari kuuya takavamirira hedu nana
2 vedu ava"

Takabva taenda hedu ku bedroom


kunorara ,ndichangobatwa nehope mwana
akabva atanga kuchema aiva Delight
ndokubva ndamumutsa ndikamupa mukaka
akabva afuratira hake ndaive ndisati
ndambomupa mukaka. Ndakatora
wechirungu ndikaedza kumupa akaramba
aitofuratira chaiko.

"Hanziiko na Dee"
Akadaro Dudu ndikati "ndoziveiwo hangu"
apa ndainzwa hope kani kwakutotanga
kufamba famba naye kuti anyarare , akabva
ambonyarara pandakada kumuradzika
akabva atanga kuikwetsura futi
mhere.Umwe wacho akabva atomukawo
akatanga kutochema Dudu akatora Deon
akamunyararidza akanyarara achibva
atorara. Uyu Delight ndiye aitonetsa chaiko
zvekuti hope dzandaive nadzo dzakabva
dzapera. Paakanyarara ndakabva ndagara
pasi ndakamugumbatira ,chaisada
kuradzikwa pasi aibva amuka otanga
kuchema. Ndakaedzerwa ndakagara kani
veduwe angori mumaoko mangu. Dudu aive
akatorara hake ini ndichikotsira ndakagara
ndichiita sekuti ndichadonhedza mwana.

Kunze kwakaedza apa taida kuenda ku


church ndokubva ndamborarawo nekuti
hope dzacho dzaitorwadzisa musoro wangu.
Ndakazomuka ndaita zvekumutswa na
Dudu achiti "woda tinonoke kuenda ku
church here mai 2" akanga atopedza kubika
ndikanogeza ndikabva ndanzwa zviri nane
ndikagezesa vana vangu ndokubva
ndavapfekedza hembe dzakachena
ndikabva ndavapa mukaka wavo asi Delight
akauramba Deon chete ndiye akamwa.
Handina kuda kumumanikidza ndakamusiya
akadaro ndikanodya ndikapedza tikabva
tatora vana tikaenda kumota ndokubva
tatoenda ku church.Takasvika vanhu vasati
vapinda havo ndokubva tatogara pama
chair.Church yakazotanga patova paya
vanhu vakaimba tikabva tanamata
ndokubva vanhu vazogara pasi.Yakava
nguva ya Pastor yekuti vaparidze shoko
vachibva vaita sekudaro. Vakaita nguva
vachingoshumira ikazova nguva
yekunamatirwa kwe vanhu inini na Dudu
tikabva tanzi huyai mberi tikabva taenda.

"Kubva zvamakabva ku church kuno


makanamata kangani" vakabvunza pastor
ndikati "atina kumbonamata" ko taidirei
hedu kunyepa zvikanzi "ndipei mwana
wamunaye uyu" ndaive ndakabata Delight
ndikabva ndavapa vakatanga kutenderera
naye vakamubata akabva atanga kuchema
hake zvake zviya noise yacho ikavharira
church yose.

Vaifamba naye vakamubata musoro wake ,


Pastor vacho havana zvavaimbotaura
kwaiva kungobata musoro wake chete.Uyu
Deon paakanzwawo mhere ye mumwe
wake akabva aikwetsurawo mhere haa
zvinhu zvacho so ungati vaitaurirana kuti
ngaticheme.Delight paakanyarara Deon
akabva anyararawo , pastor vakabva
vazondipa mwana vakatanga kudzungudza
musoro wavo vakati "Inga kune vanhu vane
moyo yakasindimara ko mucheche iyeyu
atadzei hake ,ko anoziveiko? Aive
akutoshandiswa husiku uyu.Haa zvakaoma
ndarwadziwa kumwiswa zvake ropa iko
kuchema kwaanga achiita ikoku hakusi
kwega uku kamweya kari paari hakatode
zvose izvo asi zvinopera hazvo musatya."
"Zvinopera rini" ndakabvunza ndichinzwa
kujungwa jungwa mumoyo
mangu."ndichamuisa pamunamato nguva
dzose musatya" takabva tadzokera
kunogara pasi hedu.church yakazovharwa
tikabva tadzokera hedu kumba kwedu.
Tichisvika Dudu haana kumboda kugara
akabva atoenda kumapurisa.Ini ndakabva
ndamborara ndaitova nehope semunhu
akanga ayedzerwa akagara.Hope dzacho
dzakatokasira hadzo kundibata
ndikarara.Ndakazomuka ndonzwa kuchema
kwana 2 ndikanotora mukaka wavo
ndikavapa vakabva vamwa vose ,ndakafara
hangu kuona Delight achitomwawo nekuti
ndakanga ndatova worried,ende akaumwa
zvisingaiti ndikaziva kuti aive nenzara asi
kuti aivhiringwa nemweya wetsvina waiva
paari.

"Haa zvafamba zvandaida zvazoita babe"


akadaro Dudu achangosvika ndikati
"vasungwa here" akati "yeah ,vaendwa
navo ava vese na nurse vacho" ndikati
"chero vakafirako kujeri handimborina kana
basa navo" Dudu haana kuzodavira hake
tikadya chikafu chemanheru tikarara hedu.
Delight haana kumboda kuchema takarara
zvakanaka musi uyu. Kuchiedza foni ya
Dudu yakabva yarira achibva adaira asi
zvaitaurwa handina kuzvinzwa
ndakazongonzwa kuti "okay ndouya"

"Mama vati ndiuye ndivatore ku airport


babe rega ndiende ndokuona ndadzoka"
ndikati "okay baba 2".

*MELISSA*

"Wave ne mimba?"
Akabvunza Tinashe pataive tichibva ku
butcher kunotenga hedu ka beef ndikati
"why wabvunza" ndakadaro achibva ati
"wabvira kare uchingopfira pfira chii chiri
kumboitika pauri" aitaura hake chokwadi
ndaingonzwa kuda kupfira ini
nechandaisema chacho andina
kumbochiziva."kungopfira uku babe"
ndakadaro hangu akati "uhm uri kuda
kundihwandisira here ma Liesl ndiudze
chokwadi mukadzi wangu" akadaro achiisa
ruoko rwake papfudzi rangu.Nguva iyoyo
Liesl akabva achema ari kumusana ndikabva
ndatomusvusvudzira tichifamba kudaro.

Takasvika kumba ndikaisa nyama pa stove


ndikaenda ku bedroom.Tinashe akabva
andidhonza akati "ndiudzewo babe hauna
nhumbu here" ndikati "kutaura chokwadi
handisati ndaziva daddy asi ndaisamwa
hangu mapiritsi ndoda kukuitira mwana"
ndakadaro achibva andidzvokora kuita
sekuti handizivi hake achibva amboruma
muromo wake , maziso ake angori
kwandiri."ko ndakati chii babe" said Tinashe
ndikati "hausi kuda kuti ndiite here ndaona
hangu zvakanaka kuti tingoita Tinashe
handina hangu kuda kupikisana newe paya
pawaiti toita Liesl akura asi ndakazoti dhu-u
kufunga kuti ndiitire murume wangu
mwana pane chakashata here"

Akabva auya kumira pamberi pangu akati


"babe zvoita sekuti ndiri kukupa pressure
but kana hako ndakatonzwisisa paya"
akadaro ndikati "Saka hausi kufara here
Tinashe inga ndanga ndazama wani kuda
kukufadza" akati "hazvina hazvo kuipa babe
ndaida kutevedzera zvaunoda ndosaka
ndakati timbomira asi kana wada kuita
nemoyo wese ndokutenda babe handidi
kuti uite zvinhu zvekuda kungofadza inini
mumoyo mako usingade ipapo handidi
babe" ndikati "kana ,zvauri kufunga
hazvisizvo Tinashe ndiri kutoda nemoyo
wese hako handioni sepane chakaipa" akati
thanks babe wangu ndafara hangu dai
tatenga pregnant test ta maker sure kuti
wave nayo" ndikati "mira ndimhanye
kunotenga pa pharmacy apo ndodzoka
manje manje" ndakabuda ndoenda pa
pharmacy paya paiva zvapo padhuze
zvekuti pa 4 minutes ndakanga ndasvika
ndokutenga ndikabva ndadzoka.

Pandakasvika kumba ndakaona Tinashe


achitopa zvake mwana mukaka
ndikadarikira kuenda ku bathroom
ndikanoita weti muchigaba ndokubva
ndatoisa chi preg test chacho ndokubva
ndambomira zve 5 minutes ndokubva ndazo
checker ndokuona boom positive ndikabva
ndajamba nemufaro.

Ndakanoratidza Tinashe akabva


andimbundira akazadzwa nemufaro
hake ,ndizvo zvandaida zvekunatsoziva kuti
ndine nhumbu kwete zvekufungira."mufaro
wacho so babe hautotsanangurike hako"
akadaro achienda hake paiva
nemwana.Aive akutodzidziswa kugara
achimuputira nema blanket.

Mazuva akafamba ndichidanana na Tinashe


zvakanaka pasina chataimbonetsana ,
mwana akanga akutogona kugara ega apa
aikura zvisingaiti. Foni yangu yakabva yarira
ndikabva ndadaira ndikaona ari Mona.
"wamai" ndozvaakaita ndikati "sister
muriseiko" akati "ndiri right zvangu
kuriseiko na bamunini na Liesl wacho"
ndikati "vose varibho havo bamunini
vaenda kubasa uyu Liesl ari kuimba hake"
akabva aseka hake akati "ari kukura here"
ndikati "zvisingaiti" akabva ati "kuno zvoda
kuzoitwa wena" ndakaseka ndichiti
"uchainzwa zvako pain yacho" zvikanzi
"usandityisidzira Melissa unoda
ndizomanika mwana ndotya" ndakaseka
hangu andina kumuudza kuti ndava nayowo
ndaida kuzongomuudza kwave
nemwana.Takambotaura hedu dzimwe
nyaya tichiseka tichirangaridzana zvekare
ndikaoma hangu nekuseka shuwa kutsonga
zvakunoita so handaifunga kuti
ndingazoitawo pfungwa dze munhu mukuru
asi zvatovawo nane ndakugona
kuzvidzorawo.

Ndakapedza kutaura na Mona ndakabva


ndanzwa knock pa door ndikatadza kuziva
kuti ndian , andina kumbofungira kuti ndi
Tinashe sezvo anongopinda haknock
ndokubva ndanovhura door ndikaona
pakamira mumwe mukomana wezera ra
Tinashe.

"Murisei zvenyu" akadaro ndikati


"ndinofara hangu makadiiwo. Ndokubatsirai
neyi" akabva anyemwerera hake
ndikashaya kuziva kuti chanakidza chacho
chii akati "Nashe aripo here?" Ndikati
"Nashe upi iyeye hapagari munhu anonzi
Nashe pano" akati "Tinashe" ndikati "Oh
haapo ari kubasa" zvikanzi "okay
ndokumbirawo number dzenyu" ndakabva
ndaridza tsamwa ndichiti "fambirai chimwe
number munodzii?"
"Kutaura nemi" akadaro ndikabva
ndadzokera mumba ndikavhara door.
Zvekunetsana naye ndaisada hangu iye aida
kuona Tinashe akundikumbira number aida
kudzidii.

Tinashe paakauya ndakamuudza akati


haamuzivi hameno kana aindinyepera hake
andina kuda kuzobvunza kuti saka
anokuzivirepi ndakangosiyana nazvo.

Rimwe zuva ndichibva hangu kunotenga


dzondora dzehuku ndokubva ndasangana
nemukomana uya akabva afambisa kuuya
kwandaiva ndikaedza kufambisa but akabva
atondibata. "Heyi gulez" akadaro ndikati
"uri kumbodei chaizvo iwewe ndini Tinashe
here" akati "No , ndokumbirawo kutaura
nemi" ndakanyarara nekuti zvemashoko
naye ndaisada hangu akati "ndakufarirai
henyu sisi" ndikati "ukwane ndiri mukadzi
wemunhu ini ,haunyari here kunyenga
munhu wauri kuona kuti ane mimba"

Kadumbu kangu kakanga kooneka akati


"mimba yenyu handina basa nayo ini"
ndakanyarara achingowawata ega ,ndaida
kunetsana na Tinashe audze munhu wake
arege kundinetsa.Anenge aida kundi tester
pandimire manje adzvaa andichina nguva
yekuita musikanzwa. Ndizvo
zvandakafungira kwaingovawo kufunga
kwangu.

*End of chapter*
*Stay tuned *
[27/08, 17:50] +27 62 114 1536: Follow this
link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/Kiyu3VI1xwp2A
RMEa54pIK

*POOR SHUPIKAI*

*WRITTEN BY*

*SHELLY*
#0621141536

*FINAL CHAPTER*

*DELIVERANCE*

Zvaive zvakaoma kani asi ndakabudisa vana


vangu vose vari vatatu.Ndakava nemufaro
wakawandisa kunyangwe murume wangu
aioneka kuti haasi kugona nemufaro.Zvaiti
kufadza nekudadisa ko handi ndini ndaive
ndatanga kuita ma triplets kwa Chimiro.

Baba 3 pavakati vachambobuda havana


kutaura kuti vari kuendepi vakangoti
ndinodzoka ndikasara ndichienda kunogeza
hangu.Ndapedza ndakanogadzira food ,basa
ndaitoita kana vana vakarara nekuti 1
akangomuka vose vaibva vatomuka so
vaizonditadzisa kuita basa rangu ndikabva
ndakasira kuita vakacharara. Pandakapedza
kubika ndipo pandakanzwawo kutinhira
kwemota panze ndikaziva kuti baba vevana
vadzoka.Ndakabva ndaenda ku bedroom
kunotarisa vana kuti havana kumuka here
ndikaona vakatofa havo nehope.

"Mama 3!!!"
Akadaro Rea achangopinda pa door ndikati
"noise ,munomutsa vana" akati "huya kuno
mukadzi wangu" ndakabva ndaenda
ndakabatwa ruoko tikabva tabuda panze
ndikaona paine mota newone zibango
chairo apa yaipenya kuratidza kuti
ichangovhurwa hayo.

"Mukadzi wangu ,ndati ndikutende


nechinhu chinodhura. Zvaisaita kuti
ndikutende nemuromo. Mukadzi wangu
ndinokutenda nekukudza dzinza rangu ndiri
kufara mai 3 handizive ndokuudza sei
nofunga mufaro wangu uri kumuona
babe.Mota yako iyi kana pane chimwe
chaunoda taura mukadzi wangu ndikuitire"
kana mashoko ndakamashaya ndokuramba
ndakatarisa hangu mota. Kana totaura zve
mota-ka yandaive ndatengerwa raiva bango
zvaro ,iya yandaiva ndakatengerwa ndichiri
musikana haa haisi mota guys.Ndakabva
ndambundira Rea ndichingosekerera hangu.

"Thank you baba 3 wandifadza hako


wakandikoshera murume wangu" akati
"kunyangwe iwe wakandikoshera babe.
Ngatidzikise zvinhu zviri mukati umo ndoda
paitwe party mangwana ugofonera dad
vako handika ,dad vangu ndatovaudza vati
vanouya,gogo ndichanovatora mangwana
ndoda tifare tiri pamwe babe"ndikati
"woow ,inga waita zvakanaka hako rega
ndigovafonera". Takabva tadzikisa zvinhu
zvaiva kubhuti maiva nechikafu chevana
nezvimwe zvaivamo zvaisaoneka kuti zvii.

Takapedza kuzvitakura tikaenda ku


bedroom kwedu zvikanzi "hembe dzako idzi
babe nedze vana ndoda muzvipfeke
mangwana pa party" ndakavhura hembe
dziya ndikaona riri dress re pink raiva
nechiruva pamberi ndikabva ndavhura
hembe dzevana ndikaona paine chi dress
cha Pretty chaive chakada kufanana
nerangu , colour yaingova imwe chete. Dze
boys dzaiva dzakafananawo nedza baba
vacho ndikati "maita basa haa maita
zvinorova kani" ndakadaro
ndichimumbundira ndikarongedza hembe
dzacho pakanaka.

Rea akabva atomutsa vana ndikati "Moda


kuti tidye here nhasi" akati "hindava?"
Ndikati "vanonetsa kaa" akati "ngatitsvage
musikana webasa babe wega
hauzvikwanisi" ndikati "haa no vana vangu
ndinochengeta ndega handidi kurererwa
vana nemumwe munhu kana basa ndinoita
futi ndega" ndakadaro achibva aseka achiti
"why ,unoda kuonda kusara musoro here"
ndikati "ndichionda neyi ini ndisingamwisi.
Zvevasikana vebasa zvinonetsa baba 3
tinogona kuzonetsana pano nekuda
kwezvinhu zvisina basa so kugara tarega
hedu kutsvaga musikana kuri nane."

"Haa babe saka uri kutyira kuti


ndinozonyenga musikana iyeye here
handimbodaro ini" ndikati "ngatisiyane
nazvo baba 3 inga ndati ndinozviitira ndega
wani"
"Okay babe" akadaro achiisa maziso ake
kuvana ndokubva tatotamba navo
tose.Takazoenda kunodya hedu ndokubva
Rea azoenda kunotenga zvinhu zvaizodyiwa
pa party.Ini ndakabva ndatosara
ndichifonera baba vakabva
vadaira ,"Mwana wababa" vakadaro
ndikasekerera hangu ende vaizvidisa havo
ndikati "makadiiko baba" vakati
"ndinotamba kurisei zvako ikoko" ndikati
"kunofara zvako nevazukuru venyu ava"
vakabva vambonyarara ndakanga ndisati
ndambovaudza zvekuti kwave nevana.

"Vazukuru?" He said ndikati "Ehe , kwave


nevazukuru baba ndakufonerai kuti
mangwana muuye kuno kune party
yekufarira kuuya kwana 3" vakati "vana 3?
Nhai mwanangu natsondiudza zvakanaka
uri kureva kuti wakapona vana vatatu here"
ndakaseka ndichiti "Eh baba" vakati
"yoh ,zvandakura nhai veduwe vana vatatu
aah ndavhunduka ini. Zvakanaka mwanangu
ndinouya" ndikati "mose namama muuye"
vakati "okay" ndikabva ndakata foni
ndikaenda kwaiva nevana. Vaive vamuka
havo vachingosimudza zvimaoko zvavo
mudenga.Ndakaramba ndakavatarisa
ndokubva ndati "zvandakura sekutamba
sekuseka" ndakabva ndabuda panze
ndichimbonotarisa mota yangu veduwe
hupenyu hwangu hwakanga hwachinja ini
kuita kutengerwa futi imwe mota haa
ndaive ndagarika chaiko.

Zuva rakavira tikadya hedu chikafu


chemanheru "babe ,dai warara waisa
madrinks mu fridge vanhu vagomwa
achitonhorera ,cake ndichanotenga
mangwana makuseni ndaida kutenga ari 3"
ndikati "Hiii kuda zvinhu here 3 eyi acho
unongotenga 1 rakakura zvee" akati
"handiti vana i3 here babe" ndikati "hazvina
basa baba vevana.cake racho
ngarizonyorwa mazita avo" akati "okay"
ndakabva ndaisa ma drinks mu fridge
ndikapedza ndikaenda kunorara.

Kuchiedza Rea akaenda kunotenga cake


revana achibva kunotenga obva anotora futi
gogo. Baba ndaive ndavaisira message
ndichivaudza mafambiro avaizoita.

Ndakabva ndaka cleaner mumba mangu


ndikapedza ndikageza nekupfekedza vana
vangu hembe dzavo dzavaive vakatengerwa
nababa vavo , ndipo pakabva pasvika
sekuru vana 3 vaine mukadzi wavo aive
atokurirwa nemimba ndikabva
ndavatambira. "Titambire" ndakadaro
ndichivamhoresa paive nemumwe mukadzi
wechikuru tikamhoresana ndikavati vapinde
mumba.Takapinda paya tikananga ku dining
tikagara pasi ndokubva tabvunzana mufaro
vakabva vati "Aripiko mukadzi wangu
Pretty" vakadaro vatezvara vangu ndikaseka
ndichiti "akarara" vakati "ngauye haasi
kunzwa kuti murume asvika here" ndakabva
ndasimuka ndikaenda kunotora vana
ndikadzoka vakatora Pretty, mukadzi wavo
namai vacho vakatorawo boys.

"Ndauya Pretty mukadzi wangu" takaseka


kani ende vaitonakirwa zvavo vatezvara
vangu. Ndipo pakabva pasvikawo Rea aina
gogo ,pasina nguva baba vangu na mama
vakabva vasvikawo ndikatambira vanhu
vakabva vazivana vakafara havo
nekusangana haa mufaro wakabva
watotanga kani ini ndikabva ndaenda
kunogadzira zvekudya.

"Nhai mbuya dhegu munotsvakei kuno


muchitadza kunogara pasi" ndakadaro
ndichitaura mukadzi watezvara vangu aive
auya kuda kundibatsira kugadzira chikafu
zvikanzi "mimba yangu inodisa kushanda
haitode zvekugara" akadaro achitora zvima
water glass zvekuisa madrink ndikabva
ndaseka hangu ndichiti "Moda kundibarira
murume chete" akaseka achiti "dai akaita
mukomana nekuti akatopiwa zita hanzi
ndoda anzi Raphael"ndikati "woow haa
mukomana chete"

Takabva taenda nechikafu kwaiva nevanhu


vakatanga havo kudya ,vana handina
kumbobvira ndavabata vaive vakangobatwa
vachichinjanwa ,music yakabva yatanga
kuridzwa vatumbwa vakabva vasimuka
vakatanga zvavo kutamba haa ndakaseka
hangu Lizzy paitova nebasa chairo
aisambonyara hake.Aive akasununguka
zvandaifarira.Cake rakazochekwa tikabva
tadya hedu ,"ndafara vanangu zvamaita
zvikuru chaizvo maratidza kukura mukabva
matisanganisa nehama tikazivana hedu haa
zvinobongwa vanangu murambe mune
moyo yenyu iyoyo" vakadaro tezvara
vakabva vaenderera mberi vachiti "boys
rangu iri ndoda kuritengera zvi scooter uyu
mukadzi wangu uyu ndichaona kuti
ndomutengerei kana zvanetsa
ndomutengera zvidhori"

Vanhu vakabva vaseka mukadzi wacho


akadaira kuti "hatina kupusa isu tinodawo
zvinhu kwazvo handi boy's moda
kuritengera zvi scooter tsvagiraiwo mukadzi
chinodhura" vanhu vakabva vaseka vachiti
"Eeeh ngavatenge" baba vangu vakabva
vabvisa mari yemakorokoto vanhu vakafara
zvavo.

Zuva parakanga rovira ,mimba ya Lizzy


yakatanga kurwadza. Mwana wevanhu
akairidza mhere munongonzwa imi. Haa
zvakanga zvakuti nekutya ,Rea akabva
atomhanya naye kuchipatara vakaenda
natezvara vacho.Ku driver vakanga
vasingachakwanisi.Ndakasara hangu nana
baba nagogo ,baba namama vakabva
vazooneka vakaenda ndikasara nava
Machuma. Mai va Lizzy vakanga vaendawo
kuchipatara.Hapana kuita nguva yakareba
ndakabva ndatofonerwa na Rea.

"Daddy"
Ndakadaro achibva ati "kwave nemurume
wako kuno babe ndiri kutotya kukutorerwa
mukadzi wangu haa zvakaoma dai kaita
kahanzvadzi zvaiva nani"ndakaseka hangu
ndikati "motochengera nekuti munosara
makatemba inga hazvina kunonoka kani
manje manje pamabva pano apa" akati
"vakasira wena mudhara vari kufara
zvisingaiti hanzi Raphael wangu handidi
naye ndatonzi handichade kukuona"
akadaro achiseka hake ndokubva azokata
foni.Akazouya paperawo nguva achiti
atonosiya baba na Ambhuya vavo kumba.
"Ko muzvere anobuda rini" akati
"mangwana ndipo pandichanovatora"
ndikati "horaiti"
"Ndiperekedzei kumba kwangu" vakadaro
gogo vachiti nditore mwana aiva mumaoko
ndikanomuradzika , takabva taonekana
vachibva vaperekedzwa na Rea vakaenda.

Ndakava nerugare rwakanaka pamba pangu


hapana chandaishoora zvose ndaiitirwa
hangu kushoora huroyi.Vana vaikurawo
zvinodadisa apa baba vacho vaisada zvavo
navo."ndakusuwa babe" akadaro Rea
ndichangobva kunogeza ndikati "uri
kundiona wani" akati "ehe , shake your
booty babe" ndakaseka hangu ndokubva
ndatanga kuzunza magaro angu apo ndaive
ndisina hembe.Ndakanzwa Rea akukosorera
ndikazongonzwa ndatobatwa neche
kumashure akati "wakonzeresa"
achindigumha gumha ndikanzwa Junior
wake atotsamwa tikabva tatofadzana hedu.
*KIMBERLY*

"Makoti wangu"
Vakadaro vamwene vangu
vachindimbundira ndikati "mama" taive
takambundirana ipapo ndokubva
tazoregedzana ndikabva ndamhoresa baba
tikabva tapinda mumba tikanogara pasi
tikabvunzana mufaro zvakanaka hapana
chandakamboona chakaipa ipapo
vaitoratidza kufara havo.

"Moyo wakuda kuona vana 2" ndakasimuka


ndokubva ndaenda ku bedroom ,Dudu
akauya ku bedroom kuya akati "ndipe
ndisimudze mumwe mwana" ndakabva
ndamupa tikabva tatungamidzana kunanga
ku dining kwavaiveri."yuwiii....yuwiii
vazukuru vangu hereko Jehovah iwe haa
ndiko kukomborerwa zvee uku" vakadaro
vachikanda mwana mudenga achibva
achema zvakanzi "haa mama kaa moda
kuuraya mwana wangu anozvizivirepi
zvekukandwa izvozvo" ndakasekera
mumoyo haa Dudu aisada nevana vake
zvikanzi "nyarara unoziveiko? Hauzivi kuti
vana vanokandwa here abvai vakazoitwa
vana vaya" vakadaro vachiseka
ndikaputikawo nekuseka.

"Kufanana kani vana vacho. Wakaita hako


makoti wangu wakauya kukudza dzinza
rangu" vakadaro baba ndikangogutsurira
musoro ndikabva ndaenda kunogadzira
zvekudya ndikavapa vakadya ,pavakapedza
ndipo pavakatanga nyaya ya tete
Edina."vaive vatifungireiko tete" vakadaro
mama zvikanzi "handina tete ini mama"
akadaro Dudu achiramba hake zvikanzi
"imbomira zvemafanisi baba 2 ,Saka
vakatosungwa here" akati "Ehe ,asi
mapurisa acho andimanzwisise ini vanoita
sevakatengwa avo" akadaro Dudu zvikanzi
"zvakaoma ,ndaisambovafungira ini tete
Edina havana moyo ndinoda kusvikako
kwavakavharirwa ikoko."

Takabva tawirirana kuti taigoenda tose


kunovaona ndaitoda kunzwa kuti vaida
kumudii mwana wangu.Takamboita nyaya
tichifara hedu ndipo pandakazosimuka
ndichienda ku kitchen.Ndaida kugadzira
chikafu chemanheru.
"Makoti"
Vakadaro mama pavakanditevera ku
kitchen ndikati
"Mama"
Ndakadaro vakabva vanyemwerera vakati
"ndafara hangu ,ndakabvira kare kuti Dudu
chiroora asi aisambozviterera hake dzamara
ndaneta kutaura ndanga ndisingafungi kuti
acharoora ini haa ndafara kani.Kana Delight
akura motondipa mogara naye hameno kuti
muchadini zvava zvenyu kuti moita mumwe
here kana kuti mogara na Deon wenyu
uyoyo." Ndakabva ndaseka
hangu ,"munotaura nababa 2" ndakadaro
zvikanzi "baba 2 vacho vari kutoratidza kuti
havadi nevana vavo"

Ndakabva ndabika chikafu ndikapedza


ndokubva tadya hedu tikazoparadzana
tikaenda kunorara. Mangwana makuseni
ndakagadzira food vanhu vakadya
ndikaenda kunogeza nekugezesa vana
vangu. Takapedza kuita zvose ndokubva
taenda zvedu kunoona tete Edina.
Takasvika variko vakaundunda kunga
kahuku kanaiwa , nurse vakanga vasimo
ende zvakandinetsa kushaya kuziva kuti vari
kupi.

"Tete Edina" vakadaro mama asi havana


kudairwa vachibva varamba vanyarara
vakatsikitsira chiso chavo zvikanzi "hamuna
moyo tete Edina maida kumudiiko
muzukuru wangu hamunyari here
kutiratidza huroyi hwenyu mugoona
ndaisambokufungirai." zvikanzi "nxaa
ndizvo zvamavinga pano here" vakadaro
vachiridza kutsamwa.

"Ayizve ,mototsamwa zvenyu anofanira


kutsamwa ndian nhai tete ,hamunyari kuita
hasha ipapo" zvikanzi "zvakatoitika izvo
ndaive ndomushandisa husiku raiva rasvika
zvee shavi rangu maida ndidini" takabva
tatarisana ndikaona Dudu achisimuka
achibva abatwa nababa nekuti aitoda
kuvarova. "Saka muri kutoganza kuita
zvinhu kwazvo here"vakabvunza mama
zvikanzi "muri kutondibhowa apa. Muno
ndimo mandisiri kugara henyu haaahaa"
haibo vakatanga havo kuseka ende
ndakatya nazvo wena."Hazvina kuipa tete
budai zvenyu but Mwari ndiye achakutongai
mosara zvakanaka taenda isu" takabva
tabuda toenda kumba.

Takati tave mumota ,Dudu achibva


andizevezera munzeve dzangu "nhasi ndine
surprise yako mai 2" ini nekuda kutoziva
kuti ndeyei ndakabva ndati "ndeye chii?"
akati "uchazvionera babe"ndakabva
ndanyarara asi ndaive ne curiosity yekuda
kuziva chaiko. Mama nababa ameno kuti
vakanga vaindepi nemota yavo isu
takananga kumba chaiko.Tasvika kumba
ndakabva ndambozorora hangu
ndichitamba na Delight ,uyu Deon aive
atorwa nababa vake vachimbotenderera
vari panze havo.

Ndakazosimuka pave paya ndokutanga


hangu kubika ,ndakazonzwa noise panze
ndikaziva kuti mama nababa vauya ,vanhu
vacho vaive nemufaro havo handidi
kunyepa. Ende zvakandifadza kufarirwa
nevabereki vemurume.
"Mai 2"
Vakadaro mama vachipinda mumba
vakabata Deon mumaoko."matii mama"
ndakadaro vakabva vati "hanzi huya pano
nababa 2. Haa nhasi ndoda kumbodhakwa
chaiko , kufarira vazukuru vangu" vakadaro
ndikabva ndaseka. Vaitova zvavo
nemafanisi asi vaitorevesa kuti vari kuda
kudhakwa nekuti vaive vakatobata
kabhotoro kedoro.

Ndakafamba ndoenda panze paya ,baba 2


vacho vaive vakamira nababa so ndakabva
ndadaidzira ndiri neche kure kuti "matii
baba 2" achibva acheuka akati "huya kuno"
ndakafamba ndodzoka mumba
ndikamonera tauro remwana rekuberekesa
nekuti kahembe kandaiva nako kaisamboita
zvachose.Ndakaenda kwavaive ndikasvika
kumira paside pa Dudu akati "mota yako iyi
babe" akadaro achindinongedzera ndikati
"wati chii" ndichikanuka achibva asekerera ,
nguva iyi baba vakabva vaenda havo
mumba ndikasara nemurume wangu.

"Waisazvitarisira-ka ,ndakutengera mota


mukadzi wangu ufambewo nemota yako
kwete kukwira dzevamwe uhm hazvibudi
babe" takambundirana.Ndakanga
ndisingafungiri kuti ndingatengerwa mota
ini. "Thank you sweetheart" yakanga
yakanaka hayo ndikati "watenga nguvai"
akati "Ah babe ndiri munhu wemurume ini
ndatuma munhu kuti anoitora" ndakanga
ndongo sekenyeka hangu kuri kufarira mota.

"Ngatitore madoro ana dad namama"


akadaro Dudu tikabva tatora madoro acho
tikaenda mumba , handina kuzobika nekuti
vanhu vakanga votomwa doro ini ndikamwa
madrink.
Dudu akamwa asi haana kumwa zvinoenda
kure ,takazoenda hedu kunorara ndikatanga
kunetswa na Dudu achiti "ndagarisa babe"
ndakabva ndaziva zvaaida kunyangwe ini
ndaive ndatomusuwa ndikati "Saka watii"
kwaiva kuda kutomunzwa zvangu akati
"ngatiite kaa babe" achindibata bata
ndikatanga kutomerera chaiko tikabva
tatotanga kuita romance dzimara taita basa
redu tikapedza.

Mazuva akafamba ndakanga ndave mukadzi


pane vamwe vakadzi ,Dudu akanga
akundida zvekurevesa zvaisada kana
kubvunza. Kana ivo vabereki vake
vaindifarira zvisingaiti. Ndakanga ndava
nehupenyu hunonakidza ndiri pamba pangu.

*MELISSA*
"Nhai baba Liesl uri kuedza kuita sei?"
Ndakadaro achangobva kubasa ,ndaive
ndakamutsamwira handidi kunyepa. Kana
aida kundi tester handina kana kuzvifarira.
"Ndaita sei babe" akadaro achitsveta bhachi
rake pabed achibva agara pasi."sei munhu
wako achiramba achindinetsa ini handisi
kuzvida Tinashe.Andisi kumbozvifarira ini
chauri kuedza kuita chii ipapa" ndakadaro
ndichibva paari ndikaenda ku kitchen
ndikabva ndabika asi ndakanga
ndisingachanzwi nzara ndaive ndobikira iye
Tinashe.

"Babe kani handiti ndakati handimuzive


here , sorry kana watsamwa" andina
kudavira ndikabva ndapakura chikafu chake
ndikamupa akati "ko hausi kudya" akadaro
ndikati "andina nzara" akabva andidhonza
ruoko rwangu achindiisa pamakumbo ake
akati "please babe idya unoda kuti mwana
afe nenzara"ndikati "ndati andina nzara
wani"

"I know watsamwa babe sorry hako ndini


ndakamutuma ndaida kuona kuti wachinja
zvechokwadi here am sorry babe ndokuda
shaa" ndakaramba ndakamutarisa
ndikatombobatwa nehasha asi zvekumuita
ndaisave nazvo. "Uri kundiona sehure
handiti" ndakadaro akati "kwete babe
andina kudaro kwaingova kuda kuona kuti
wachinja here hauchina kahunhu kako kaya
here ndizvo zvandaida kungoona chete
manje ndaona kuti wachinja babe"andina
hangu kudaira ndakabva ndaenda ku
bedroom achibva anditevera ikoko
akatanga kundinyengerera achiti tinodya
chikafu ndakabva ndamboramba achibva
atondipa kiss pamuromo ndikatonzwa kuda
nezvake asi ndakabva nda ignore ka feeling
kandainzwa.
Takazonodya hedu ndaive ndisisina
kumutsamwira , takapedza kudya
tikanorara hedu.

Mazuva akafamba dumbu rangu richikura


chaizvo ,mwana wangu aikurawo
zvinodadisa achitengerwa zvese zvese na
Tinashe. Kaive koziva chirungu kamwana
ikaka. Ndakamboedza kunyika porridge
ndichida adzidzire kuridya asi akariramba
aitoda hake zvinonaka.

Ndakati ndiri mu bathroom ndokunzwa foni


yangu ichirira ndikashaya matorero nekuti
ndaigeza.Ndakazopedza ndikaenda ku
bedroom ndikatarisa foni ndikaona paine
missed call ya Mona ndokubva ndamubhaza
achibva atofona nguva iyi.

"Sisto"
Ndakadaro achibva atura mafemo akati
"urisei mwana wamai vangu ndapona
mwana mukomana asi revakuru riri
kuramba kubuda" ndakaita kurohwa
nehana nekuti ndaigaronzwa kuti revakuru
rikaramba kubuda unogona kufa ,"usadaro
Mona ko ma nurse acho atadza kuita action
here" achibva ati "vati richabuda rega byee
ndiri mumarwadzo" ndikati"okay
ndazomboti nemakorokoto here zvakaoma
munoita right sisi regai ndikunamatirei"
akabva atokata ndokubva ndatopfugama
pasi kuti ndinamate.Ndapfugama kudaro
ndakashaya mashoko ekunamata
chaizvo ,ndaive ndisati ndakambonamata
kubva kare kose.

*Muzita rababa nere mwanakomana nere


mweya mutsvene.Baba ndinokunamatai
panguva ino ndichiti isaiwo sisi vangu
mumaoko enyu ,mhuri yake inoda
muchengeti tenzi wangu chiitai kuda
kwenyu panguva ino. Ndanamata nezita
rajesu nekusingaperi AMEN*
Ndakamboita nguva ndakapfugama kudaro
ndokubva ndazosimuka mushure mekunge
Liesl amuka.Ndaingoti dai sisi vangu vakaita
right havo, ndakabva ndatombovaraidzwa
na Liesl hangu ndikazoenda
kunobika.Tinashe akazobva kubasa
ndatopedza kubika.

"Mama Liesl" akadaro ndikati "waswera bho


here" akati "ndiribho babe kuneta chete"
achigara pasi akabva ati "ndoda
kukutsvagira shop uite zvekutengesa
hembe,unozvida here" ndakakasira kudaira
ndichiti "ndinozvida" akati "okay , ndoda
kuti uwanewo chaunoita." Ndikati "thanks
daddy" akati "unotenda ko ndamboti
ndaiona here" ndakangoseka
ndichinopakura chikafu ndokubva tadya
hedu.
"Ndiri kunzwa kuda kusimbisa mwana" he
said achindibata mu chiuno tikaenda ku
bedroom ndikati "manje tinoviringwa na
Liesl" aive akamuka achizvitambira hake
akati "hande tinogeza tozvipedzera ikoko"
tikabva taenda ndokutanga hedu kugeza
ndokubva tazofadzana imomo.

Mazuva akafamba , Tinashe aive awana


shop yacho akabva atsvaga munhu
anohodha hembe dzacho ini ndaive
ndisingachakwanise nedumbu rangu raive
rakura. Takabva tatsvaga mukadzi
aizotengesamo tikamuwana, Tinashe wacho
aive akati handidi musikana ndinoda mai
vakuru vanoziva zvavanoita ndikatofara
zvangu hapana paizombonyenga mukadzi
mukuru akamukurira haa ndizvo
zvandaitotyira izvozvo.

Ndakazoti rimwe zuva ndichigeza ndokubva


ndangotanga kubatwa neka dzungu
ndokubva zvapera ,pasina nguva ndikanzwa
mudumbu muchiruma ruma ,semunhu aive
akambozvara ndakabva ndaziva kuti
chachaya. Ndakageza nekukasira ndokubva
ndapedza ndikafonera Tinashe ndichiti
asvike kumba akabva auya ndikamuudza
zvandakanga ndonzwa achibva atobereka
mwana tikaenda ku clinic. Paive padhuze
zvapo zvekuti takatofamba netsoka ,apa
ndakanga ndonyanya kurwadziwa asi
ndakashingirira kuti tisvike.

Ndichingosvika ndakaiswa pa bed


ndikatonzi ndigomere zvikanzi mwana achiri
kure mbichana ndokubva ndatotanga
kufamba famba ,ndakaita nguva
ndichingodaro ndokubva ndazonzwa kuda
kupusha ndokubva ndatonzi ndikwire pabed
ndikaita sekudaro.

Pandaka pusha mwana akabva atobuda


akabva atochema achibva anogezeswa
ndikasara ndichipukuta ziya neruoko
rwangu ,ndakanga ndabudamo ini haa zvine
nyaya izvi.Mwana akazouya ndikaona ari
mukomana ndakafara kani veduwe ,
ndinovimba kuti Tinashe aizova nemufaro
wakawandisa.

Hapana kuzoita nguva yakareba Tinashe


akabva auya na Liesl akafara achiona
ndakabata mwana. "Nemakorokoto babe"
akadaro achinyemwerera ndikati "ndeedu
tese babe" Liesl akanga akaberekwa achibva
atotora mwana aiva mumaoko
angu ,aingooneka mufaro chete chete.
"Mukomana" ndakadaro ndichimuudza
akati "woow ,zvakarongeka babe thank you
nekundibarira mujaya uyu" akazondipa
mwana achibva azoenda ndikasara
ndichirara. Ndakazobuda mangwana
makuseni , Tinashe ndiye akauya kunditora
tikaenda kumba. Ndakanga ndichiri
nekakurwadziwa.
Takasvika kumba ndikanogeza , Tinashe
ndiye akatoita basa rese , kubasa akanga
akumbira mazuva matatu ekuzorora so
zvakanga zvava nane ndiye ayiita basa.

"Babe"
Akadaro Tinashe ndikati "watii" akati
"mwana ndoda anzi Luckmore" ndikati "riri
bho chaizvo" zvikanzi "ndakura babe wangu
thank you nekundiitawo baba" aive
ongoramba achingonditenda
kasingaperi.Takadya hedu achibva ati
"ndimbonotarisa kushop kuti kwakamira sei
nhasi , Liesl ndiri kuenda naye
angazokunetsa babe" ndikati "dai
wangomusiya, vanhu vanokuona vanofunga
kuti asi mai vacho vakafa" akabva aseka
achiti "handina basa nazvo ini pane
chinoshamisira kufamba nemwana here"
ndikati "ehoyi ,endai henyu" vakabva
vaenda ndikasara nemucheche.
Ndakamborara ndikazomutswa na Tinashe
paakadzoka.

"Kuri kufamba babe" akadaro achiisa


mwana pamubhedha, Liesl wacho aitova ne
sweet raiva mumuromo. Aive atojaira
Tinashe zvekuti inini aisava nebasa neni
zvakanyanya."ngazvirambe zvichidaro
tichengete mhuri yedu" ndakadaro
akanyemwerera akati "ndokuti mukadzi
mukuru zvee uku" takabva taseka hedu.

Mazuva akafamba ndichigara zvakanaka na


Tinashe nevana vedu. Aisambova
nerusarura kuvana aingoda vose.
Zvaindifadza hangu handidi kunyepa, Mona
ndakazotaura naye akati zvese
zvakazofamba bho ndikafarawo ndikabva
ndatomuudza zvemwana akaseka achitoti
inga hamusi kumira. Haa wakava mufaro
pamba pangu handaifunga kuti
ndichazoitawo imba asi Mwari vakabva
vandipa murume ane rudo ,kana hunhu
hwangu huya ndakanga ndasiya ndaive
ndoita semunhu mukuru zvehu mwanana
zvaive zvapera.

*THE END*

*NDINOKUTENDAI GUYS NEKUMIRA


NENI ,ZVAIREMA HAZVO ASI MAKAMIRA
NENI TICHIFAMBA PAMWE CHETE
MUCHINDIBATSIRA NEMA DATA NDINOTI
MURAMBE MUNE RUDO RWENYU.MA
COMMENTS NDAIMAONA ENDE
AINDIFADZA HANDIDI KUNYEPA *

You might also like