You are on page 1of 790

LAMP OF MY JOY

_Written by *King Lee*_


~LeeBolt~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263788183445

*CHAPTER 1*

*Nacistacia*

Ndaingoona vanhu vachienda


mumagroups ekuita zvakasiyana
siyana, ini hangu semunhu aifarira
zvekunyora nhetembo i decided
kuenda kune vaiita zvenhetembo
.Ndakanogara ndakanyarara
semunhu aiva mutsva ndakaramba
ndakaterera hangu pairatidza paive
neimwe nhetembo yainakidza
zvekuti ndakabva ndanzwa kuda
kuzviverengera ndega
.Ndakakumbira vanhu vakawanda
but vese vaindi
ignore.Ndakazongonzwa kunzi
munhu akange anyora aive upper 6 .

Ndakabva ndangosiyana nazvo


nekuti nguva yekuenda kumba
yakanga yakakwana.It was my first
day at a new school no friends just
me ndaiva form 3 my mother vanga
va transfeiwa after my father passed
away.Ndakarwadziwa kusiya
nzvimbo i spent almost half of my life
in .Ndakamboda kuti momz
vandisiye hangu but yooo Manyoni
aisatangika.I understood though I
was her only daughter i had brother
vaitoshandawo out of the country.

Ndaifamba asi pfungwa dzangu


dzaive kuthat nhetembo.Ndainzwa
kuda kuriverenga chete
.Ndakazosvika kumba .Munongoziva
kaenviroment itsva inongobhowa so
.Ndakasvika ndikatora foni yangu
ndikataura na bae wangu though
we were not in good books .

Mangwana ndakaenda kuchikoro


ndakapinda mu class munhu wese
aiva busy kutaura pamusoro
penhetembo iya .

" asi King anonyora manhetembo


anonakidza " said girl 1.

"Ummm shuwa hako anogona uya


hazvimboita kunge mwana
wechikoro akanyora fanike iyi
"akadaro umwe musikana akaita
mutsvuku ndakabva ndaswedera
pavari.

"Hevoi " ndakadaro

"Hesi " akadaro umwe wacho .

Takapanana intro paya takange


takutotaura nyaya tichinakidzwa
zvedu.Panga pana Anna
naSasha.Sasha ndiye aiva
mutsvuku ainyanya
kutaurisa.Pandakanzwa zvekuti
munhu anonyora madetembo aya
aidzidza pachikoro apa ndaiva
ndave neshungu dzekuda kumuona
.

We did our lessons kwakuenda


kumba hedu.
Ndakasvika kwakubata foni yangu
ndakatowana ndaiswa mu group
remu class vanhu vachitaura nyaya
yedetembo.I was following hangu
ndakabva ndanyanya kuda kumuona
munhu wacho iyeye.
Ndakaenda ku inbox kwaSasha
ndichida kuona mapikicha
remkomana wekunetsa uyu.Asi
akangoti andina ndakabva ndatanga
kutaura nabae wangu.Ainonoka
kupindura apa ari online ndakashaya
kuti aitaura nani.Ndakasenda
mamessages anenge 7 munhu
akazopindura papera 10mins achiti
sorry network what
what.Ndakadzima foni yangu
ndikabva ndarara.

Mukomana wangu anga achinja


ndoshaya chii.Inga ndinomboedza
kumufadzawo
nepandinokwanisa.Kuti akatsamwira
ndakaramba kuita sex naye here
ameno.Ndakanonoka kumuka zuva
iri ndakamutswa namhamha
vapedza zvese vakutoda kubuda.

"Nassey asi hausi kuenda kuchikoro


here"

"Ndiri kuenda kungoti ndakanonoka


kurara ndichiverenga"

"Saka basa refoni nderei unoseta


Alarm handidi mwana anoita mbiri
yekunonoka kuchikoro
unondishooresa"

Ndakambogeza zvisvinhu
here.Ndakarova uniform yangu
tikabuda namhamha.Mhamha
vaidzidzisawo pachikoro
pandaidzidza apa.Vaidzidzisa
English neFashion.

"Wabva usina kudya Nassey"

"Ndichadzoka kudya pabreak"


Pamba pedu paiva pedyo
nepachikoro apa.Ndakasvika
muclass mune vanhu vashoma
ndikatanga kumboverenga
zvimanotes zvangu zveBiology.

Muclass medu manga musina noise


yakanyanya.Anna naSasha ndivo
vaiita noise chete.Ari saSasha ane
kamwe kakuzvida
kaanako.Pakapinda vamwe madam
Geo vakatanga kutinyoresa manotes
vaidaidzira.

"Madam handina kunzwa mati chiii


dzokorodzai" ndakadaro.
"Pandadaidzira wanga uripi ndimi
vanhu vasingatereri ndichidzidzisa"
vakadaro vachiuya pandanga
ndakagara.Vakatarisa book rangu
ndofunga vaifunga handisi kunyora.

Vakapedza lesson ravo


vakabuda.Break richikwana
ndakabuda kumhanya kuenda
kumba kunodya ndanga ndarohwa
nenzara.Ndakasvika kudziisa
kamunya kangu pastove
ndikadya.Ndakadzoka ndichimhanya
ndaitya kunonoka.Ndikanonoka
vamwe vaizofunga ndiri kutora
advantage yekuti mai vangu
vanodzidzisawo pachikoro apa.

Ndakasvika break risati rapera


ndakatsvaga ana Sasha handina
kuvaona.Ndakatanga kufamba
ndichinyatsa kuona pachikoro
apa.Bhero rekupera kwebreak
rakarira ndichida kunyatsa
kuona.Ndakatoti ndichaona palunch
nana Sasha vachindiudza
zvepachikoro apa.
Ndakadzoka muclass ndakaona
Anna chete asi Sasha ameno anga
aripi.

"Ko Sasha wamusiyepi"

"Aah anga ari kuma upper six uko"

Sasha wacho akabva apinda


achirova masmile.Lucky tanga tava
pafree period.

"Anna guess nhasi ndaswera


nedude riya" said Sasha.
"Ummm mkomana uya iplayer dai
waiziya kuti ane vasikana
vakawanda pano usingamboganzi
zvauri kuita"said Anna achiseka.

Ndaishaya kuti mkomana uyu ndiani


aitaurwa.Ndakaramba ndakanyarara
vachitaura nyaya dzavo.

"Anna wakatanga kurwadziwa neni


rini"said Sasha.

"Uri friend yangu handikusiye


uchirasika mufesi uyu ukumudira
mbiri yaanayo chete kuda kungonzi
ndini musikana wake ndanyepa
here"said Anna.

"Anna naSasha muri kuita noise


mukaramba muchiita noise
ndakuzonyora manoise makers"said
umwe musikana airatidza kuti ndiye
classmonitress.

Sasha naAnna vakabva vanyarara


zvavo.Ndakakumbira Anna
nhetembo yainetsa iyi ndaida
kumboizoomer.Anna akato handina
pihwa naSasha.Sasha wacho
akaramba futi ndikasiyana
nazvo.Ndoda kuona akanyora
wacho ndomukumbira
ndega.Pakabva papinda kamwe
kasir kati kurei kanga kakabata
shamhu.Apa kanga kakaonda
zvainzwisa tsitsi.

"Ko vaiita noise muno ndiani ndipei


manoise makers"

Musikana uya akasimuka akapa


kaSir kaya.Kakadana mazita ana
Sasha vanga vanyorwa vakasimuka
kuenda mberi.

"Nasitanziya ndiani ngauye apa"said


Sir vaya.Ndakada kusimuka asi
ndakaramba ndakagara ndaifunga
ndeumwe.

"Nasitanziya ndiani haamo here"

"Ndeuyu" said classmonitress


achindinongedza.

"Chisikana usada kutiita mapenzi


hausi kunzwa ndichikudana"

"Sorry sir matii"

"Nasitanziya waiita noise huya


kumber uku"
"Ndonzi Nacistacia kwete
Nasitanziya"

Ndakasimuka kuenda kumberi apa


matyiro andaita kurohwa.Sir vacho
vakabuda nesu tikanopihwa
punishement .Takanzi tidiridze
kugarden mhamha ndakavaona
vachipfuura nekugarden kuya.

"Asi wakuita Agric here" vakabvunza


vaiziva ndichiita macomputer.

"No ndiri kubatsira mafriends angu"


"Kubatsira? Enda kuclass now" said
mhamha vachibva vatanga kufamba.

Ndakaita kunga ndakuenda mhamha


vachipota ndikadzoka.

"Asi mozivana here namadam


vanyowani ava"

"She is my mother"

"Aaah uri mwana wateacher


uchitoita hako musikanzwa
zvakaoma"said Sasha
Ndakaramba ndakanyarara
ndakanzwa Sasha achiti akuda
kupedza Ashel anga atinyora
mazita.Lunch yakabva yasvika
pfungwa dzikafunga munhu
wenhetembo iya.

"Handei ndinokuratidza munhu


wedetembo ranetsa"said
Anna.Akaita kunga afemerwa hake
mwana uyu.

Panguva iyi Sasha anga aenda


kuclass ameno
zvainotorwa.Takafamba kuenda
kumaclass emaUpper Six.Kwaiva
nerunyararo rwakanyanya.Takasvika
kupinda mune imwe class tikamira
padoor vanhu vaivemo vakabva
vatitarisa.

"Haamo muno" said Anna.

Takabuda tikaenda mune imwe


class tikamira padoor tikaona manga
mune vanhu vashoma.Ndikatarisa
kucorna ndikaona umwe mkomana
anga akagara neumwe
musikana.Mkomana uya akabva
asimudza chiso tikabva tatarisana.
"Ndiye akagara kucorna uko" said
Anna.

Ndakafamba ndichienda kucorna


kuya ndikatsika rara rebanana ndiye
pasi puu.Ndakarwadziwa plus
kunyara ndakaona class yese
yakuseka.Haa ndakasekwa
ndakaona mkomana uya akatarisa
pasi.Musikana waanga akagara
naye aiita kubuda musodzi
nekuseka.

Ndaisaziva kuti vanhu ava vane


pfungwa dzisina kunyatso
kwana.Ndoshaya chii chosekesa
pakudonha kwemunhu.Kutaura
chokwadi ndanga ndakunyara
kusimuka, ndakazvigadzirisa skirt
yangu.....

*#drop your comments#*

*WATCH OUT FOR CHAPTER 2*


*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 2*
*Nacistacia*

Ndakaona mkomana uya asimuka


kuuya pandiri achindisimudza.

"Next time uchifamba tarisa


kwaunenge uchienda" akabva
adzokera kunogara nekamusikana
kake.

Ndakaramba ndakamira
ndakamutarisa achifamba kudzoka
kumusikana wake.Chandakaona
pamkomana uyu aiva ari smart &
cool.Pakandiseka vamwe iye haana
kundiseka ndakangonzwa
kumufarira ndisingazive iye
aindifarirawo here.Anna akanditora
tikabuda muclass umu.

"Eish ndakunyarira Nassey ini"

"Zvatoitika dear"

Takabva tasangana naSasha


akabata two mapie ne two madrinks
acho.
"Heyy Sasha ndipewo kani"said
Anna.

"Chimbomira izvozvo Anna handisi


kuseka"sais Sasha.

"But hazvisi fair inga


ndinosimbokutengerawo wani"

"Anna haungazvinzwisise
ndozokuudza"said Sasha
achifamba.

Mwana aizvinzwa hake iyeye


ndakashaya kuti aienda kunoona
ani.Handina hangu kuda kubvunza
nekuti zvagara hazvinei neni.

"Ko mkomana uya anonzi ani"

"Kingsley"

Handina kuudza hangu Anna kuti


mkomana uyu
ndangomufarira.Ndakasiya Anna
muclass ndikaenda
kumba.Ndakasvika mhamha
vachitodya zvavo.

"Ko iwewe wanga watova


neshamwari nguvai"
"Aaah mhamha manzwa nani"

"Handisi kuti zvakashata asi ziva


vamwe vekutamba navo, nekuti
dzimwe shamwari dzinofurira"

"Okay mhamha"

"Ko waitwa sei pamabvi apo pari


kubuda ropa"

Ndakatarisa kusambozviona
ndofunga kudonha kwandaita paya.

"Aah ndadonha"
"Hayas zvakaoma ndakuenda
usakanganwe kukiya madoors aya
tinobirwa"

Vakabva vatobuda kudzokera


kuchikoro.Ndanga ndichakaguta
ndanga ndakutofunga Kingsley
uya.Ndaida andipewo detembo
rake.Ndakaita on foni yangu
ndikaona mamessages aHenry
mkomana wangu.Ndakamuona ari
online akaisa umwe musikana padp
pake.Ndakabvunza kuti ndiani
zvikanzi ihanzvadzi yangu handina
kuita nharo hangu.Akafona akati
aida kundiona paweekend handina
kuramba.

Ndakaona pasara 2mins kuti lunch


ipere.Ndakadzima foni ndikadzoka
kuchikoro ndichimhanya.Bhero
rakatorira ndichiri kure.Lucky
ndakapinda muclass musati mana
teacher apa ndanga ndakutodikitira.

"Hezvo ko kudikitira kwakanaka


here"said Anna.

"Ndofunga anga akagara pazuva


chete"said Sasha.
"Kuti ndopenga here kugara pazuva
kunopisa kudai"

"Haaa tibvire ndanzwa firimu


rawasiya washuta kumaUpper uko"

"Sasha noise ndinokunyora futi"said


Ashel.

Sasha akaridza tsamwa hake asi


akabva anyarara.Sir veBio
vakapinda vakatanga kutidzidzisa.
Vainyatsa kutsanangura
zvainzwisisika ndikaona Sasha
akubatwa nehope.Sir vaya
vakazviona vakafamba kuuya pana
Sasha vakamuridza
mbama.Akavhunduka achibva
adonha nechair yake.Class yese
yanga yakati ziii ndaiona class yaida
kuseka asi vaitya sir ava.Lesson
ravo rakapera vakabuda class ikati
bvuu kuseka.

"Anna naNassey muri mamero


ndakuonai matadza kunditipirawo
here"
"Iwe unorara nguva yelesson
unopenga here"said Anna.

Malessons akapera vanhu vakaenda


kumba ini ndakasara ndichinyora
manotes andanga ndakumbira
Anna.Ndakaona rimwe bepa raiva
mudesk maSasha ndakaritora
ndikatanga kuriverenga.Yanga iri
nhetembo yainakidza nekunzwisa
tsitsi mukati.Yanga yakanyatsa
kunyorwa zvemhando yepamusoro
ndakabva ndaziva ndiyo yainetsa
pachikoro pedu.Ndakatosiya
zvekunyora manotes ndichiverenga
nhetembo iyi.Ndainyatsa kutarisa
manyorero ayakaitwa waitoona
munhu anoziva zvanoita.Pasina
nguva Sasha anopinda otora bepa
riya rine nhetembo.

"Asi unodanana naKing wacho"


ndakabvunza.

"Ndikakuudza zvoita sendinonyepa


chakuratidza mangwana" akabva
abuda hake.

Ndakarongedza mabooks angu


ndikaenda kumba.Ndakasvika
mhamha vakatogara zvavo.

"Ko matobika here"

"Nhasi chimbobikawo everytime


unoda kubikirwa neni wakagara"

Handina kuvapikisa ndakachinja


ndikageza.Ndapedza ndikatanga
kubika sezvo kwanga
kwakusviba.Ndakapedza kubika
tikadya namai vangu.Foni yangu
yakatanga kuringer iri patable
ndakatarisa ndikaona ari
Henry.Mhamha vakanditarisa neziso
rekuti daira foni yako.Yakabva
yakata yega ndikaitora ndikaisa
paflight mode.Ndaisamboda
mhamha vazive kuti ndine mkomana
nekuti nyaya yacho yaisazopera
mushe.Lucky havana kubvunza
vakaramba vangori zii.

Ndakavasiya mudinning ndikaenda


kunorara.Ndakatanga kufunga
nhetembo yandaverenga.Ndaida
Kingsley andidzidzisewo
kunyora.Ndakanzwa kungomufarira
pandakamuona ndainamata kuti dai
mangwana ndikawana chance
yekutaura naye pasina
chinovhiringa.

Ndakamukira ndikaita basa rese


mhamha vakazomuka ndatopfeka
uniform.

"Hauchaoni ndiko kuti mwana


kwaye"

"Aah mhamha"

Ndakadya ndikabuda kuenda


kuchikoro.Ndakasvika muclass
mune vanhu vashoma vanga vari
kuverenga.Ndakaona kuti kune
vanhu vari serious nechikoro.Anna
akazosvikawo pava paya.Bhero
rekuenda paAssembly rakarira
tikaenda.Pataiimba national anthem
ndakaona Kingsley ndiye aikwidza
flag.Ndakaramba ndakamutarisa
apa ari smart.Ndoshaya sei vasina
kumuitawo prefect munhu anochena
kudai.

Pa assembly pakataurwa zvekuti


vaida kujoina school choir vaizofana
kuona madam Chiwara.Takaenda
kumaclass edu.Sasha akatanga
kuita noise achitaura nevamwe
vasikana vemuclass medu.Ndanga
ndisati ndakuziva vanhu vazhinji
vemuclass medu.

Break richisvika ndakabuda ndega


ndakananga kumaclass
emaUpper.Ndakasangana
naKingsley wacho achitoendawo
kwandanga
ndichibva.Ndakangotarisana naye
manzwi akuramba kubuda
mukanwa.Ndiye akatanga kutaura
neni.Ndichipindura zvaataura chete.

"face yako inyowani pachikoro


pano"said Kingsley.
"Umm yes ndiri munew comer"

"Une munyama kusvika nekudonha"


akadaro achinyemwerera.

"Aah ndokumbirawo nhetembo"

"Nhetembo ipi futi"

"Yawakanyora iri kupisa pano"

"Hoo iyo ndakaijumhawo handei


ndinokupa"

Akabva atanga kudzoka neni


kuclass kwake.Pataifamba
kudzokera apana aitaura
neumwe.Takapinda muclass muya
mandakadonha ndikaona vanhu
vaivamo pavakandiona vakatanga
kuseka.

"King matotapirirwa futi nekamwana


kekudonha apa,mukati regai
timbodya zvakambodonha"said
umwe mkomana achiseka

"Mind your business Takue,


zvekutapirirwa kana kusatapirirwa
kwangu hazvinei neni" said Kingsley
achindipa chair yekugara.Mkomana
uya akabva anyarara hake.

Ndakabva ndagara zvangu asi


ndainyara maziso ese anga
akatitarisa.Ndaishaya kuti sei
vasingaendi kubreak vanhu
ava.Akandipa nhetembo yake
ndikaona ainyora futi
imwe.Ndakamboverenga mushe
ndanga ndakufunga zvinhu
zvakawanda panguva
imwe.Ndaishaya kuti chii chava
kuitika pandiri.Pasina nguva
ndinoona Sasha achipinda padoor.
Sasha akauya pandiri akasunga
face ndakashaya kuti ndatadzei.

"Uri kuitei kuno iwe"

"Ndauya kukumbira nhetembo"

Sasha akatora chair akauya


kugarawo patanga tiri.Kutaura
chokwadi ndakabhoekana handina
kuda kuzviratidza.Ndakaramba
ndakatyora ndichiverenga hangu
kadetembo aka.

"Thanks King ndakuenda"


"Hauna kuzondiudza zita rako" said
King.

Ndakaramba ndichifamba ndaida


anditeverewo asi haana
kudaro.Akasara akagara naSasha
maybe vanodanana
ameno.Ndakaenda muclass
ndikasvika Anna ari kudya zvake
mazep.Ndakagara padesk
ndikatanga kuverenga nhetembo
iya.

"Asi wazopihwa naKing"

"Ehe"
"Umm ko masimairi kwakanaka
here"akabvunza Anna.

"Ehe detembo rinonakidza iri


ummm"

"Iiih asikana asi mapenyerwa


nemunhu wacho kani"

"Aiwa ndangofarira kamunyorero


kanoita manhetembo ake"

Break rakabva rapera Sasha


anopinda achirova masmile aisvika
kugotsi ,handina kumbotaura naye.

Takaita malessons zvakanaka


kusvika palunch.

"Iwewe Nassey usiyane nemunhu


wangu"

"Kuti ndakamubata here"

"Aiwa ndiri kuzama kuti handidi


kuona uchitaura naye"

Handina kupindura ndakabva


ndatobuda kuenda kumba.Ndanga
ndatsamwa dai ndakamupindura
aizondivenga kungoti
ndakazvidzora.Ndakasvika kunamira
nhetembo riya kumadziro emuroom
mangu.Ndaida kuiverenga everyday
pandomuka.Mhamha vakasvika ndiri
busy kunyorawo yangu nhetembo
ndaida kupa Kingsley
azondigadzirisa pandiri wrong.

"Unodii kuenda kunoitawo choir inga


une voice rakanaka,
zvemanhetembo izvi hazvina
chimuko"
"Aaah handigoni zvekuimba"
ndakadaro.

Ndakadaro ndichisimuka kuenda


muroom mangu.Ndikaenda paApp
ndikaona Henry ari online asina
kana
kumbondimhoresawo.Ndakambofun
ga kuti akatsamwa kuti handina
kudaira call yake.Ndakamuti hie
akanonoka kupindura.Ndaishaya
kuti aimbopedzera time yake kunani.

Takataura zvedu tese


takabvumirana kuonana
weekend.Mazuva akafamba
weekend ikasvika.Henry akati
tisangane mutown.Takaonana
tikanogara kwaiva kusina
vanhu.Takatanga kutaura nyaya
dzakawanda.

"paunenge uri online unenge


uchimbotaura nani"

"Aah kwandiri kugara kunonetsa


network"

"Hoo but tadii kumbomira nekuti


relationship yacho haisi
kuchanakidza"
"Inga kunakidza sei relationship iwe
uchimirira kutangwa semudzimu"

*#drop your comments#*

*WATCH OUT FOR CHAPTER 3*


*LAMP OF MY JOY*
_Written by *King Lee*_
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 3*

*Kingsley*
Kana musikana akakucheater
ukamubata neumwe mkomana
usafa wakamuregerera hazvishande
ndakambozviedza.Five years
dzandakadanana naHilda
dzakaendera mahara.Rudo rwangu
naHilda rwaiyemurwa nevanhu
vakawanda asi Satan akawana
mukana akatipatsanura.Hapana
chandanga ndisingamuitire magifts,
mavalentines, mabirthday present
ndaitenga.Zvese izvi zvakatanga
pakaenda kunoita course
yake.Akatanga kundicheater
neumwe mufesi ndikazvibata
akakumbira ruregerero akatuma
shamwari dzake ndikamuregerera.

Mwedzi uchipera ndinonzwa kuti


Hilda akaroorwa atova nenhumbu
ndakarwadziwa kusvika
pekupedzisira.Ndakaona kunga
ndadzikisirwa inga zvese zvaida
ndaizama kumufadza.Ndakabva
ndaona kunga vasikana vese
vakafanana.Ndakapedza madays
ndichirwadziwa chinhu chinonzi rudo
hachina kumira mushe.Wakambo
shungurudzwa nerudo zvekuti
unosimuka muchurch panonzi
varwere huyai
munamatirwe.Ndakasvika stage iyi
zvekuti zvakandikanganisa
muzvidzidzo zvangu.

"Mazuvano wanyarara asi Hilda


akakuramba" said mom vangu.

Ava vanga vari step mom


vangu.Mhamha vangu vakafa
ndichiri mudiki chaizvo ndiri grade
3.Ndakangonzwa kuti vaiva
nechirwere pamoyo.Mudhara
vakabva varoora umwe mkadzi uyu
vakaita vana vaviri.Muhombe ari
Talia anga ane 16years kwotevera
Tino kane 8years.Vana vababa
vangu ndaivada hangu chero nguva
Talia aimbobhaiza.

Takakura tichigara zvedu mughetto


imba yedu yanga isina kumbokura
zvayo yaiva ne3mabedrooms
nedinning nekitchen &
bathroom.Stepmom vangu
ndakaona vaida vana vavo kupfuura
inini chero vaisazviratidza pamberi
pamudhara.Vaisatida zvakafanana
dzimwe nguva vaimbondiita
karough.Zvaiita zvekukwidza umwe
musi vanenge vachindida zvekuti.
Kuchikoro ndakatanga kudanana
nevamwe vasikana ndichirara
navo.Zvakagumisira zvandipinda
muropa.Hakuna musikana
wandaidanana naye ndikatadza
kumurova zvinhu.Pavese apana
wandaida ndaingoda pekuponera
hanty Hilda akaroorwa here.

Kana ndisina zvekuita ndainyora


manhetembo angu.Ndakazonyora
imwe yakanetsa pachikoro
apa.Ndakazopenyerwa pandakaona
kamwe kamusikana kekudonha
muclass medu.Ndaisaziva zita rake
,pakadonha ndakanzwa tsitsi.Sasha
ndiye umwe aingoita ma actions
pamberi pengu.Ndaigona
kutengerwa mapie
nemadrink.Ndakamupfimba
akabvuma asi handisati ndarara
naye.

"Ko musikana uya anonzi ani"

"Nassey why wamubvunza"

"Hapana kuda kuziva face yake


inyowani" ndakadaro.

"Munew comer"
"asi hamuwirirane here ndaona
pawasvika abva asimuka"

"Uyo akaita kunga hure aitsvagei


kuno usamusekerere pliz King"said
Sasha.

Sasha anga ari mutsvuku kakanaka


chakaita kakusimba.Uyu
ndakangomudira kuti mwana
wenjonda ndinopota ndichipihwawo
mari.Ndakaona kuti anenge
aisanyanya kuwirirana
naNassey.Handina kuita basa
nazvo.Sasha akabuda kuenda
kuclass kwake.Tanga tasarirwa
nemwedzi kuti tinyore ndaida kusiya
ndapedzera vana ava.

"Haaa King hamusi mava


kuzvinyanya here" said Tatenda aiva
shamwari yangu.Tatenda ndiye
umwe aichinjanisa vasikana kunga
hembe.

"Ko ndadii Tatenda"

"Haaa kuti hausava ne edzi


iwewe"said Tatenda achiseka.

"Yandinowana kupi unopenga chete


iwewe"

"Izvozvi mava kumayellow born ka


vakasviba hamuchavadi ndakutya
ini"sais Tate.

"Ndichiri kumbo enjoya hujaya


nekuti ndaroora mukana uyu
handizouwani"

"Asi shuwa"

"Ndikuda base paden pako"

"Shaaa unouya paweekend


ndinenge ndiri ndega team repaden
pangu riri kuenda kumusha rese"
said Tate.

Ndakafara pandakanzwa mashoko


aya saka ndaifana kuzoita husiku
hwese naSasha.Ko anobvuma here
but ndichaona matauriro andichaita
naye.Panyaya dzevasikana
naTatenda taiudzana zvedu kuitira
kuti umwe asasvikira weumwe.

Rimwe zuva palunch ndakaenda


kumaclass emaform 3 & 4.Ndaida
kuona Sasha kuti nditaura naye
nyaya yacho.Ndakapinda muclass
ndikaona Nassey na Anna vari 2
vachidya vachiseka.Ndakaramba
ndakatarisa Nassey iye akazviona
akabva atarisa pasi.Chandakaona
mwana aindinyara asi anondida
kani.

Ndakaenda pavanga vakagara


ndikatora chair ndikagara pedyo
navo.

"Kingsley wagona wauya ndine


maths iri kundinetsa" said Anna.

Akabudisa paper rake


ndikamubatsira zvangu.Anna
akadaidzwa neumwe musikana
padoor akabuda achindisiya
naNassey anga ari zii.

"Saka wakaramba kundiudza zita


rako"ndakadaro ndichivhura book
rake reGeo.

"Handina kumboramba ini"

"Saka wakadii"

"Apana"

"Hooo saka unonzi ani"


"Nacistacia"

"Wow nice name ndarifarira ndoda


kuzoripa mwana wangu"

"Asi une mwana"

"Asi uda kundiitira mwana here"


ndakadaro.

"Aaah King unopenga ndambodaro


here"

Mwana uyu ndakangomufarira


ndainzwa kuda kuramba ndichitaura
naye.Ndozuva randakatanga
kuwirirana naNassey asi ndakaona
aiva
nekakundinyara.Ndakambokagaira
horror dzekuda kukapfimba but
ndakazosiyana nazvo.

"Rega ndiende unopota uchiuya


kundionawo kuclass kwangu"

"Kana ndisiri busy ndouya"

Sasha akabva amira padoor, bhero


rekupera kwelunch
richirirawo.Handina kuwana mukana
wekutaura naye.Ndakabva ndaenda
kuclass kwangu.

Malessons achipera tinoenda


kumba.Ndaiwanza kufamba
naTatenda sezvo taigara kuma
same area.Takapesana ndikatora
road yepaden pangu.Ndakasvika
Talia achidya airatidza kuti
achangobva kusvikawo.Taidzidza
pasame school zvedu.

"Maswera sei mom"


"Unopinda nebhutsu mumba
mandashainisa haunzwe kunyarawo
here"

"Ooh sorry kusatozviona haa muri


smart" ndakadaro.

"Ko ibhutsu dzaani dzawakapfeka"


vakabvunza mai Talia.

Bhutsu yanga iri yaTatenda


yandakakweretawo.Mom vaTatenda
vaishanda SA vaimutumira hembe
dziri mufashion saka ndaipota
ndichimukumbira asi ndichizodzosa
hangu.Hembe dzangu dzaimakisa
dzakabuda mufashion mudhara
ukada kumukumbira mari aigona kuti
ndichakutengera hembe
ukapasa.Vaindiita mwana mudiki
zvandaisada.

"Aaah hadzisi dzekukwereta here,


Kingsley unoita mbiri yekuchena
pafazh dai vaiziva kuti pahembe
dzaunenge wakapfeka apana yako
waisekwa"said Talia achiseka.

Ndakatsamwa kana chikafu handina


kuchidya musi uyu vanga
vandijairira.Mudhara vakabva
kubasa manheru chaiwo.Vaifamba
nemota yebasa vanga vari
Eletrician.

"Baba Talia mwana wako akufamba


achikwereta vanhu hembe
dzekupfeka kuitawo here"

"Mwana upi"

"Umwe upi Kingsley"

Ndaivanzwa hangu ndiri mubedroom


mangu.Ndikanzwa vanhu
vakufamba kuuya
kwandiri.Ndakaviga bhutsu dziya
netrouse racho.

"Ko iwewe ndanzwa uri kufamba


uchikwereta vanhu hembe sei
usingakure chimbondiudza uri
kuzama kudii"said mudhara.

"Hapana zvandakwereta kuti


ndopenga here kufamba
ndichikwereta vanhu"ndakadaro.

"Unonyepa bhutsu idzi hadzisi


dzako" said Mai Talia vachisimudza
dzimwe bhutsu pasi pebed.Vakaona
dzisidzo vakatanga kutsvaga apana
chavakaona ndakaona vakunyara.

"Aviga chete uyu handinyepi"

Mudhara vakangobuda vari zii


ndakaona vanga
vatsamwa.Ndakashaya kuti
vatsamwira ini or mkadzi wavo.Mai
Talia vakunyanya kuda kundisaiza
ndoshaya vanorwadziwa nechii
pakukwereta kwangu hembe.

Weekend yakasvika ndikabata


Tatenda akati team repaden pavo
raenda kumusha.Ndakabva
ndatofonera Sasha
ndichimuchengerera but mwana
wacho airamba.Akazobvuma hake
pava paya.

"Mira ndinotsvaga beer , kangu


kababe kari kuuyawo"

"Ngatingoenda tese"

Takabuda kuenda kubhawa


tikatenga masinhi edu.Ndakubuda
mubhawa dhuma dhuma namudhara
vangu...
*#drop your comments#*

*WATCH OUT FOR CHAPTER 4*


*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587
_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 4*

*Kingsley*

Ndichibuda mubhawa
ndakadhumana namudhara vangu
vachipindawo.Lucky zvimabhodhoro
zvatanga tatenga tanga taisa
mubag.

"Uri kutsvagei kuno uchandinetsa


iwewe" said mudhara ndakatoona
vanga vakadhakwa.

"Sorry ndanga ndichiperekedza


Tatenda aida kuona sekuru vake"

"Ngakave kekupedzisira kusangana


newe pano enda unoita
zvemabooks"

Handina kuda kuitisana navo


nharo.Takabva pavari tikatora road
yekumba kwana Tatenda.Takasvika
pamba tikambogara tichitaura
nyaya.

"Saka iwewe ndokubata mira


ndiende kumba ndinoda kuwana
mabudiro andingaita pamba"

"Okay uite fast wangu"said Tate.

Ndakabuda kuenda kumba


ndikasvika Mai Talia naTalia vari
busy kubaker cake.Mai Talia panhau
dzekubaker vaiva shasha zvavo
jealous down.Ndakapinda muspare
mangu ndikatanga kurongedza
mabooks angu mubag.Pasina time
mudhara vanobva vapinda.

"Ko zvii zviri mubag wafungepi"


vakabvunza mudhara.

"Ndiri kuda kuenda kuchikoro ndoda


kunoita husiku hwese
ndichiverenga"

"Ko zvakasiyanei nekuverengera


pano" said Talia.

"Zvakasiyana nekuti uko tinenge


tichiita discussion nevamwe"

"Yaa ndazvifarira izvi ko wadya here


zvawakutobuda"said mudhara.

"Dad muri kunyeperwa Kingsley ari


kuenda kuvasikana uyu"said Talia.

"Nyarara Kingsley wacho mwana


wako here ,how many times
ndichikuti dzidza kuti mkoma"said
dad.

"Hezvo Save kwakanaka


kwamunopopotera mwana ko
atadzei"
"Mai Talia dzidzisa mwana hunhu
,Kingsley ndoda upase vavengi
vanyare tora mari wozotengawo
chekudya kuchikoro uko"

Ndakatora mari iya ndikabva


ndatobuda sezvo zuva ranga
rakudoka.Ndakaona Talia
achinditevera kumashure
achihwanda.Ndakatora road
yekuchikoro zveshuwa ndikaenda
kunogara muclass.Ndakaona Talia
akudzoka.Pasina nguva Sasha
anosvikawo akabereka bag rine
mabook.Tanga taudzana kuti
tisangane kumaclass.

"Ndasiya ndanyepa moms vangu


vanonetsa iwe"said Sasha.

"Wavati chii"

"Ndati ndikuenda kumba kwana


Anna vamboda kuita nharo asi
vazobvuma"

"Ko Anna wacho wamutipa here kuti


asazobhaiza"
"Ehe ndamuudza ari kuziva zvese"

Kuchingosviba takabuda kuenda


kumba kwaTatenda.Takasvika
kabbe kake katosvikawo.Zuva iri
rakandinakidza handidi
kunyepa.Husiku hwese naSasha but
ndaishandisa maprotections
hangu.Ndakamboda kumbopinda
ndakadaro but ndaizvidzora.

Kuchiedza vasikana vakamukira


kuenda kumba kwavo.Mai vepanext
pana Tatenda vakazviona
vakazungudza musoro.

Ndakacleana muroom muya


ndikabva ndatoenda
kumba.Ndakasvika Talia kari busy
kutsvaira pachivanze.Handina
kutaura naye ndakapinda muroom
mangu.Mai vacho vakatanga
kupopota.

"Wapinda nebhutsu futi hona


wasvibisa pandashainisa"

"Sorry moms kungoti ndine hope"


"Hezvo zip yakavhurika iyo wanga
uri kuchikoro iwewe" vakabvunza
vakabata muchiuno.

"Ehe anga ari kuchikoro


ndakamutevera ndikamuona"said
Talia.

"Umm rega ndinyarare"said moms.

Mazuva akafamba Sasha anga


akundibhowa apa anga asingachadi
kusiyana neni.Akazondibata
ndichikisana nekamwe kamusikana
akarwadziwa.Handina kuita basa
naye aifunga
ndichamunyengerera.Ndanga
ndisingachasvike kumaclass
avo.Ndiye auya kuclass kwedu.

"But why uchindirwadzisa"

"Sasha ndakuda kumboverenga tadii


tambozvimira" ndakadaro.

"Wakarara neni ndizvo zvawaida


nhasi wakundiona kunga shit ka
mira ndoda kukarova kahure
kako"said Sasha achidaidzira
zvekuti munhu wese anga
akunzwa.Ndaisada zvenoise
ndakamusofta akadzikama.Akaenda
kuclass kwake ndikasara
ndichiverenga hangu.

"Ndofunga muri kuda kubva


maravira vasikana vese vepano"said
Charity wandaidzidza naye.

"Unopenga iwewe"ndakadaro
ndichiseka.

"But chimbondiudza unozviitirei"

"Ndiri kumbo enjoya hujaya hwangu


kana ndaroorawo ndinenge
ndadzikama"

*Nacistacia*

Pese pandaibatwa kana kukissana


nemkomana wangu apana
zvandainzwa.Ndakambofunga kuti
vanyori vanonyora manovels ava
vanonyepa kana vachitaura
zvemafeelings.NaHenry kwatabva
kure asi apana zvandainzwa
paari.Ndaisazvitaura hangu
ndairamba ndiri zii.

"Nassey dai waiziva kuti ndokuda


usaindirwadzisa zvaunoita" said
Henry.

"Ko ndaita sei"

"Why uchiramba kurara neni tane


gore nemwedzi tichidanana asi
unoramba sex unoda ndidii"

"Ko zvinomanikidzwa munhu here


nhai ,tichazoita kana nguva yasvika"
Henry handikanganwi pakada
kundibata zvechisimba asika
ndaizomukurira simba.Ndaimutuka
taigara takanetsa nguva zhinji asi
kumuda ndaimuda.Ndakatomuisa
paProfile pangu.

Kuchikoro kwainakidza mazuva aya


ndanga ndakunyanya kuwirirana
naAnna.

"Umm Anna waireva shuwa ihure


mkomana uyu nxaa ndamusvikira
achikisana neumwe musikana kana
kuvhunduka haana"said Sasha.

"Une nharo ndakakuudza nxaa


usandinyaudza wakaramba kuterera
ma advise angu ukandiita munhu
ane godo"said Anna.

"Anna wakundidaro I love him unoda


ndiite sei"

"Unoda munhu asingagutsikane, uya


akanzi ane chirwere andirambi
anozvinyanya ndatomuvenga
neumwe wacho Tatenda"
Sasha ndakamuona hangu aida
kuzviita anoziva asingatereri
zvanenge achiudzwa nasahwira
wake.Zvino asangana nazvo asi ini
ndakazvishayawo kuti King wacho
why achidaro.Inga Sasha munhu
bhoo wani.Mazuva akafamba Sasha
anga asingachaendi kuma Upper
anga akugara ari zii.Taisamubvunza
hedu asi taiona kuti shasha
yakarwadziswa.

Rimwe zuva ndakatumwa nevamwe


teacher kundopa maUpper
maquestion paper ekuti vambo
revisor.Ndakati handipinde muclass
mandakadonha muya.Ndakapinda
munext class ndikapa musikana
anga ari pamberi kuti ape
vanhu.Ndakaona Kingsley anga
arimo akagara nechepakati
achiverenga.Ndakaseka
nechemumoyo kuti mkomana uyu
anotombowanawo nguva
yekuverengawo.Ukamuona unoti
munhu kwaye asi ndaisazvitenda
hangu kuti ane vasikana
hobho.Ndakabuda muclass umu
ndikaona
ndakushevedzwa.Ndakacheuka
ndikaona ari Kingsley ainditevera.
"Nassey uriko ko kusauya
kundionawo"

"Ndinenge ndiri busy nemabooks


angu"

"hoo zvakanaka zviri kuratidza kuti


uri serious nechikoro"said King.

"Asi iwe hausi serious here"

"Aiwa Nassey ndoda kuzokuona


time dzekubuda zvinoita here"

"Ndinenge ndichida kumbonyora


manotes" ndakadaro asi moyo
waida kumuona.

"Umm okay no problem"

Akabva atodzokera kuclass


ndakaona akatiza vamwe
madam.Madam vaya vakauya
pandanga ndiri.

"Iwewe uri kuitei kuno enda unogara


kuclass kwako"said madam vaya.

Ndakafamba kudzokera kuclass


kwangu ndikasvika mune lesson
reMaths.Ndakasvika kungopinda
kamadam kacho kakada
kundiwachisa.

"Unopinda kunga uri kupinda


mutoilet sei apa wanonoka
mulesson rangu futi"

"Sor..."

"Buda unonoka panze"

Ndakabuda ndikanoka ndikapinda.

"Chigara pasi next time ukanonoka


kupinda mulesson rangu
ndichakubudisa"

Vakazopedza kuitisa lesson ravo


ndafizuka.Pakazouya kamwe
kamuform 1 kachiti vari kuda kujoina
choir vari kudiwa.Anna ndiye ega
akaenda ndikasara ndichinyora
nhetembo yangu.

Bhero rekuenda kumba rakarira


vanhu vakaenda.Ndakasara ndega
muclass ndikaona Kingsley apinda
akabata bag rake akanogara
kucorna akatanga
kuverenga.Handina kutaura naye
ndakaramba ndichinyora nhetembo
yangu.Ndaiti ndikanyora ndikaona
zvandiri kuda azvisi kubuda
ndaibvarura bepa racho ndonyora
futi.

"Book racho zvarichatopera


nekubvarurwa ko ratadzei"said
Kingsley.

"Aah ndiri kuvhiringika ini"

King akasimuka kuuya pandanga


ndakagara.Akatora chair akagara
paside neni.Ndakatanga
kumukumbira kuti andidzidzisewo
kunyora manhetembo.

"Nyora zvauri kufunga then


ndozokugadzirisa"

"Chingondinyorera kani"

"Tanga wanyora Nassey"

"Ndonyora sei wakanditarisa"

"Okay ndatarisa kuside"

"Aah ndichanyorera kumba ndokupa


mangwana makuseni"ndakadaro.
King ainakidza hake akatanga
kundiudza nyaya tichiseka.Ndakada
kumbobvunza kuti anozvitirei
zvekuwanza vasikana asi
ndakasiyana nazvo.Angazoti
ndinoda zvinhu.Takazobuda
kwakuda kusviba King achingotaura
nyaya dzake.

"Hoo hauna kuzondiudza surname


yako" said King.

"Tsedebu"

"Asi une ukama naMadam Tsededu


here vanyowani vaya"

"Ndimhamha vangu" ndakadaro.

"Okay ndipe number dzako"said


King.Handina kumunyima
ndakamunyorera pabook pake.

Takapesana akaenda kumba


kwavo.Ndakasvika kumba mhamha
vari busy kugeza hembe
dzavo.Ndakasvika ndichiona
message yakatonzi "Hie
besty".Ndakaziva kuti ndiKing
ndakatanga kutaura
naye.Ndakachinja profile pic
ndikaisa mhamha vangu.

Mkomana wangu anga ari


offline.Ndakatanga kutaura
naKingsley kusvika kuma 1
manheru.Takapotsa taita
pungwe.Kana nhetembo riya
handina kuzorinyora.Ndakaseta
alarm ya4.Ndakarara pakarira alarm
ndakaidzima foni yacho.Hope
dzanga dzakutapira panguva
iyi.Ndakazomutswa namhamha zuva
rakutobuda.

"Mwana iwe watanga futi muka


unogeza"

"Mamuka sei mhamha"

"Ndamuka bhoo ko ibepa reyi


rawakanamira apo" vakadaro
vachifamba kuuya pedyo
naro.Vakatarisa vakaona iri
nhetembo vakabuda havana
zvavakataura havo.

Ndakageza fast
ndikachinja.Pakudya ndakati ndouya
ndichidya pabreak.Ndakaenda
kuchikoro asi zuva iri ndaiva low
low.Pafree period ndakanyora
nhetembo iya.

"Umm zvaunotogona nhai"said


Anna.

"Handigoni ndiri kudzidzirawo"

Zuva iri kwaipisa


zvakanyanya.Palunch ndakabuda
kuenda kunogara pasi peumwe muti
paitonhororera.Anna naSasha
ameno vanga vaendepi.King
akasvika kugara paside pangu.
"Ko hindava kugara wega"

"Apana hangu handei kuclass


ndinokupa nhetembo yangu
ndapedza"

Takasimuka tikasvika paitengeswa


mafreezit
akanditengerawo.Takasvika kuclass
ndikamupa nhetembo iya.Akatanga
kundigadzirisa achindiudza
manyorerwo ainoitwa.Pasina nguva
ana Sasha vakasvikawo tichizvifarira
naKing.King achiona Sasha
anoratidza kubhoekana.
"Iwe hure uri kuitei nemkomana
wangu"said Sasha.

"Hure ini manje dzikama wanzwa"


ndakadaro.

"Nassey unofarisa ndakakuona


wakanyararira nhema ,handina
kubvira ndakufarira"said Sasha.

"Kundifarira kana kusandifarira


andina basa nazvo ndakauya
kudzidza pano kwete kutsvaga
shamwari kana mkomana"
ndakadaro.
King akandibata ruoko achibuda
neni muclass.Sasha akateverawo
achida kundirova.King akarohwa
mbama naSasha.Ndakaona kuti
Kingsley atsamwa achida kurova
Sasha asi ndakamubata.Sasha
akatanga kupopota.Ndakabva pane
vaviri ava ndikadzoka
muclass.Ndakazonzwa noise panze
ndakabuda kutarisa kuona hezvo....

*#Drop your comments#*


*WATCH OUT FOR CHAPTER 5*
*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445
*CHAPTER 5*

*Nassey*

Ndakatarisa panze ndikaona Sasha


achirwa nekamwe
kamusikana.Kingsley handina
kumuona kuti anga aendepi.Anna
ndiye akanobata Sasha akauya
naye muclass.Akada kutangana neni
ndikaramba ndiri zii ndaisada
zvenoise nevanhu.
"Iwewe ishavi rekuda varume here
kusvika pakurwirana mkomana
asinei nemi"said Anna.

"Anna nyarara uyu Nassey ndiye


umwe wacho nxaa"

"Eeh mbuya siyanai neni


wambonzwa ndichitaura newe here"
ndakadaro.

"Manje ndinokurova wanzwa zvekuti


una mai teacher pano handinei
nazvo" said Sasha.
"Dai waigona kurova kwacho manje
warohwa nekamuform 2" ndakadaro
ndikatanga kuseka.Class ikati yeee
zvinova zvakarwadza Sasha.

Maoko ndaisamagona angu


ndakaona asimuka kuda
kundirova.Ndakasimuka ndikatora
mabook angu ndikatizira kulibrary
kwandakanoona Kingsley
ariko.Ndakagara zvangu pachair
pangu King akauya pandanga ndiri.

"Besty wangu"

"Eeh hevo"
"Haa pakaipa shaa"

"Ko chii futi"

Kingsley akatanga kutaura


zvevasikana vake
vaipfimba.Ndakaudzwa zvese apa
akutondiudza kuti aida ndimubatsire
kuti awine classmonitress wedu
Ashel.Ndakatanga kunzwa jealous
handizive chii changa chakuitika
pandiri.Kingsley ndanga ndisati
ndakunyatsa kumuziva hangu,
ndingatoti hatisati tajairana.
NaSasha tanga
tisingachapindirani.Ndingatoti
handina kubvira ndapindirana
naye.Dai aiziva kuti King wacho
wanorwira haanei naye aidzikama
hake.Kingsley anga akundiudza
zvese zvevasikana vake chero asati
ambondibvunzawo kuti ndine
mkomana here.

Kuwirirana kwangu naKingsley


kwakatokonzera kuti ndivengwe
nevasikana vake.Vaifunga kuti
ndodanana naye nekuti pabreak or
palunch tinenge tiri tese.Ndanga
ndakuita ndichimuziva Kingsley
ndakaona munhu anokurumidza
kutsamwa.

"iwewe wakandinyepera kuti


uchanditengera pie futi" ndakadaro.

"Ndakanyepa here kungoti ndanga


ndazvikanganwa"

Takaenda kuna mai vaigara pagate


rechikoro
vachitengesa.Ndakazotengerwa
dziri 2 ndikati ndichazodyira
muclass.Ndakaenda kunoisa mubag
rangu.Ndikaperekedza King kuclass
kwavo.Pandakadzoka ndakamhanya
kushop ndaida kutenga drink
rangu.Ndakatenga drink
pandinosvika kuclass ndinoona
Sasha achidya mapie
angu.Ndinonyatsa kutarisa mubag
ndinoona musina chinhu.

"Ko why watora mapie angu iwe"

"Imari yangu yatenga mapie


aya"said Sasha.

"Musikana iwewe wakuzondijairira


manje ndakasiyana naAnna uyu
mapie angu unomatenga chete"
ndakadaro ndichibuda.Anna akabva
andibata.

"Ndisiye hanty mafurirana kudya


mapie angu manje munomatenga
hamundizive mushe inini"

Bhero rekupera kwelunch rakabva


rarira.Ndakabuda ndikaenda ku
office kwaclass teacher wedu
ndikasvika asimo.Ndakabva
ndadzoka kuclass.Takaita
malessons edu kusvika
tapedza.Time dzevanhu kuenda
kumba dzakakwana vanhu vakapera
kubuda kuenda.Sasha akauya
kugara padesk pangu.

"Unofunga kuti wakangwara ndiri


kukuona uri nyoka, wainyepera
kundifarira uchida mkomana wangu
manje ndinozvidira jecha"

Ndakasimuka ndikanomira zvangu


padoor.

"Unoti ndiani anoda kudya zvakaora


kudai rega urambwe hauna hunhu"
ndakadaro ndichiseka ndaitemba
kuzotiza nekuti maoko ndaisagona.
"Ndiri yellow born ndine body
yakanaka kupfuura yako ndakanaka
kukupfuura futi"

"Asi wakarambwa achida isusu ana


Nassey maslender, huyellow born
hupi waizora mafuta iwewe
wakazvarwa wakasviba kunga pasi
pepoto yeroja rechibhachura"

Sasha akatsamwa akauya pandiri


ndakatiza ndakananga
kumba.Ndakaona munhu achitevera
kumashure.Ndakasvika kuzvivharira
mumba akatanga kudaidzira ari
panze.

"Ndoda kuudza mai vako unofarisa


iwe hure" said Sasha.

"Mbuya be humbe and sit down"


ndakadaro ndakadongerera
nepawindow.

Ndakatora imwe tsvimbo yamkoma


vangu yandakaona
mumba.Ndakabuda nayo panze
Sasha achindiona izvi anotanga
kutya achidzokera kumashure.

"Mhamha vangu vakasvika uri pano


ndoda kuvaudza kuti ndakusvikira
uchida kuba wakanyanya kupusa
nxaa" ndakadaro.

"Ndichakubata chete mira uone"

Akabva atobuda kuenda handina


kana basa nazvo.Ndaisamutya
akangondirova chete ndomuruma
handizive mushe.Munhu
angandivengera mkomana
wandisingadanani
naye.Akuzondituma zvandisingadi
kuita manje.Ndakadzoka kuchikoro
kunotora bag rangu.Ndakasvika
Kingsley akagara kucorna
achiverenga.Madays aya aifarira
kuuya kuverengera muclass
medu.Handina kuda kumukanganisa
ndakabva ndagara padesk pangu
ndikatanga kuverengawo sezvo
tanga takuda kunyorawo maexam
ekupera kwegore.Takaita time umwe
naumwe achiverenga but ndaiona
King aibiridzira
kunditarisa.Kwakusviba takatanga
kurongedza mabooks edu.

"Nassey wanga uripi"

"Ndanga ndamboenda kumba"


ndaisada kumuudza kuti ndanetsana
nehure rake.

Ndakaona aita kunga pane zvaari


kuda kutaura asi aishaya
pekutangira.Takabuda angori zii
ndaishaya inyaya yei.Tava pagate
munhu akazotanga kutaura.

"Nassey ndiwe munhu anokwanisa


kundibatsira nzwisisa"

"Kubatsira chii"

"Shaa ndoda kupedzera kaAshel


ako"
Munoziva ndakanzwa kusvotwa
nezvakataura handizive
chii.Ndakanzwa godo chairo
ndakabva ndatanga kufamba
kuenda kumba ndisina
kumupindura.Ndakasvika kubata
foni yangu ndikaona mamessages
aHenry ndakatanga kutaura
naye.Ndakabva ndaisa picture rake
paprofile pangu.

Ndakatanga kuzvibvunza why ndiri


kunzwa jealous nezvevasikana
vaKing.Ndakazoudza umwe
shamwari yangu yekuchikoro
kwandamboidzidza.Akanditi ndine
mafeelings naKingsley.Ndakatanga
kuona ichokwadi nekuti ndiri paari
ndainzwa kufara ndisingazive kuti
iye aindidawo here.

"Nacistacia haunzwe here ndati


huya utaure namkoma vako"said
mhamha vairatidza kuti vaiva pacall.

Ndakasimuka ndikaenda kwavanga


vari ndikatora foni.

" Hello Dumi uri sei" ndakadaro.

" Bhoo kukusuwa mwana wamai"


"Kana neni unouya rini"

"Mira ndione ndinogona kuuya


December unoda ndikuvigirei"

"Umm chazokuudza paApp"

Mhamha vakatora foni yavo


vakataura zvavo nemwana
wavo.Dumisani ndiye aiva first born
kwotevera ini.Taingova 2 chete,iye
ari kushandira kuBotswana kwaari
Fitter paimwe company.
Manheru handina kuenda paApp
ndakaverenga zvangu manotes
angu ndikazorara
kuma1am.Ndichimuka ndakageza
faster faster kwakuenda kuchikoro
ndikasvika ndichishaya chair
yangu.Ndakaitsvaga ndikashaya
ndikaona Sasha akuseka.Apa vanhu
vese vanga vakaga pamachairs
avo.Ndakabuda ndikaenda
kunokumbira yekulibrary
ndikapihwa.Ndakatoziva Sasha
ndiye aviga chair yangu.

"Nassey naSasha chii chiri


kumboitika kwamuri hamufani
kudaro"

"Bvunza kahure aka kakasvika pano


nedzungu"said Sasha.

"Ukuti inini hure here"ndakabvunza.

"Umwe ani ndiwe"

"Uri right nekuti ndakahura nababa


vako pakazvarwa iwewe" ndakadaro
class yese ikati bvuu kuseka
kusanganisira naAnna
wacho.Ndanga ndatoswededza desk
rangu kure mbichana ndagadzirira
kutiza.

"Iko kuonda kunga wakamedza


waya kudaro, ini ndakabatana
kupfuura iwewe ndosaka
uchirwadziwa neni"

"Ukanzi bata vanhu vakaonda


ungabata inini here, ivo magaro
aunovhaira navo kuita kunga mvura
iri mupaper bag"

Ndakatora bag ndikabuda kunogara


kulibrary.Ndakaona taizogumisira
tarwa.Pabreak ndakabuda
ndikasangana naKingsley.
"Ndeipi Nassey"

"Ndiri bhoo hangu"

Akandibata ruoko tikaenda kunogara


kugarden rechikoro.

"Ngatimboona foni yako" akadaro.

"Ndakaidzima".

Ndakaibatidza
ndikamuratidza.Handizive why
ndakauyawo nefoni zuva iri.
"Ndiye mufesi wako here"
akabvunza.

"Ehe ndiye"

"Wow zvakarongeka ndiye ari


paprofile pako here"

"Ehe"

Akandidzosera foni yangu ari zii


ndakashaya kuti atsamwei.Handina
kuita basa nazvo.Sasha naAnna
vakauya kugarden vachida kuona
zvinhu zvavo.Kingsley achiona
Sasha anoenda paari omupa
hug.King anotanga kukissa Sasha
pamberi pangu ndakarwadziwa
zvekuti ndakapotsa kuchema.Ndipo
pandakaona kuti Kingsley ndomuda.

Vachisiyana ndinoona Sasha


achiuya pandiri.Ndanga ndachipusa
manje.

"You are a looser wanzwa waifunga


unganditorera mkomana iwewe"

Ndakabva ndatarisa Kingsley


ndikaona anga akanditarisawo...
*#drop your comments#*

*WATCH OUT FOR CHAPTER 6*


*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 6*

*Kingsley*

Pandakakissa Sasha ndaida kuona


reaction yaNassey.Sasha handina
kana basa naye.Handitorina
mafeelings naye ndanga
ndakutodemba
nechandakamupfimbira nekuti anga
asingachadi kusiyana neni.Munhu
wacho habvume kurambwa.Nassey
ndakaona kunga anondida maitiro
ake kungoti hazviite kubvunza.

"You are a looser wanzwa waifunga


unganditorera mkomana iwewe"
said Sasha achiudza
Nassey.Kutaura chokwadi mashoko
haana kundiitira bhoo.Nassey
akaramba ari zii akanditarisa.

"Sasha siyana neni handidi


nemashoko angu" said Nassey
achifamba.

Ndakaona kuti anga


atsamwa.Ndakamuona akananga
kumaclass tikasara zvedu kugarden.

"Daddy ndafara nhasi mandikisa


pamberi pemuvengi anosifarisa"

"muvengi wako hazvirevi muvengu


wangu anyway muswere bhoo"
Ndakafamba kuenda kuclass
kwangu.Ndikasvika Tatenda ari busy
nekamwevo kamusikana akagara
kucorna.Ndakagara padesk pangu
ndakufunga kuti ndoita sei
manje.Kutaura chokwadi ndanga
ndane tuma feelings naNassey but
ndakatomuona haisi type iya inoda
zvisina basa.

"Ko ndiani akutemesa musoro"said


Tatenda.Ndakaona anga ava ega
kamusikana kake kanga kabuda.

"Haaa shaa Sasha akufarisa"


"Ko adiii iya isimbi ingorova zvinhu
kusvika tabaya tongosiya
zvakadaro"said Tatenda.

"Tatenda naKingsley hamusi serious


pese munenge muchingofunga
vasikana remember tikunyora next
week hamumboite serious
nemabooks"said Charity anova
desky wangu.Aigara paside pangu.

"Enjoy life..It comes with expiry date"


said Tatenda.

"Muchanyora zvema vasikana mu


exam ndati ndikuudzei zvamuri kuita
izvi muchazvidemba henyu itai
zvemabooks mumbosiya vasikana
ava"said Charity.

"If you are not doing things that you


love, then your life is not worth
living.. What are you here for"
ndakadaro.

"Yaaa wataura apa tora sando King"


said Tatenda achipa sando.Charity
akangonditarisa akanyarara akabva
atanga kuverenga.
Takabuda muclass macho
naTatenda tikaenda kunogara kunze
pasi pemumango waiva paside
peclass yedu.Ndakaona madam
Chiwara vakuuya patiri.

"Vakomana endai munogara


muclass menyu nguva yebreak
nelunch yapfuura kare"

"Tikuda kumbofurwa nemhepo


muclass muri kupisa" said Tatenda.

"Saka vari muclass ndivo vasingadi


kufurwa nemhepo here
,makuonererwa nekuda makuda
kuenda"

Ndakasimuka ndaisada
zvekunetsana
nemateachers.Tatenda akabva
ateverawo akati dai taramba
takagara.Muclass vanhu vaiva
vakagara zvimagroups vachiita
madiscusion.Ndakagara panzvimbo
pangu ndikaisa zvangu ma
earphones ndichiterera music ya Lil
Wayne uku ndakabata book rangu.

Haisi nyaya yekuti handisi serious


nechikoro handigoni kuverenga
pane vanhu.Ndaiwanza kusara
ndega ndichiveranga kana
kuverengera kumba manheru vanhu
varara.Ndava kuchikoro vanhu
vondiona kunga ndisiri
serious.Bhero rakarira vanhu
vakabuda vamwe vakasara
vachiverenga.This time ndakaenda
kunogara kuclass ema form 1
kwanga kusina vanhu.Ndakatanga
kuverenga but apana chakapinda
ndakagumisira ndatosiyana nazvo.

Ndakabuda muclass ndakuenda


kumba ndikasangana naNassey
muroad akapfeka hembe
dzepamba.Aiita kunga aienda
kumaraini edu.

"Hey"

"Hesi"said Nassey.

"Ndasara ndichikutsvaga"

"Aaah ndabuda parira bhero"said


Nassy.

"Why wakurumidza kubuda"

"Ko iwe unoda kundidii ndiri


musikana wako here" said Nassey
achibaya baya foni yake.
"Nassey"

"Chii chacho enda kuna Sasha


wako" akadaro achifambisa
hake.Airatidza kuti haasi kuda
kutaura neni.Ndakatoona
akarwadziwa nekukissa kwandakaita
Sasha pamberi pake.

Ndakasvika pamba pari zii pangori


naTalia nakaTino.Moms ndakashaya
kuti vanga vaendepi.

"Talia ko mhamha vaendepi"


"Handizive ndasvika vasipo
ndibatsirewo question iyi"

Ndakatora bepa racho


ndikamuudza.Mudhara vakasvika
moms vasati vasvika.Talia anga ava
worried kuti mai vake
varipi.Takambozama foni yavo
yairamba.

"Ko mai venyu vaendepi"

"Aaah tasvika vasipo"said Talia.

"Okay"
Dad vakabuda zvavo ndikanzwa
kutinhira kwemota ndikaziva kuti
vabuda.Moms vakabva vasvikawo
vachifara zvavo.

"Ko mhamha manga muripi"said


Talia.

"Ndanga ndaenda kumba kwasis


vangu, ko dad venyu havasati vauya
here"said Mai Talia.

"Vauya vabva kubuda now"


Mhamha vakabika sadza zvavo
tikadya.Mudhara vakazouya
manheru vakaita kupera
nedoro.Ndakashaya kuti
vakambodriver sei, pamwe pane
munhu avaperekedza ameno.

"Iwe Mai Talia huya apa"

"Ko zvadiiko Save"

"Wanga uripi wava kuhura ka"

Takavasiya vachipedzerana
ndikaenda kunorara.Nassey anga
asingachadi kutaura
neni.Ndakatanga kutora tuvasikana
ndichinodanana natwo pamberi pake
.Ndipo pandakaona kuti Nassey
anondida but kuti kataure sebabe
azviite.Manheru paApp ndakaona
ndasenderwa message.

"My crush" yakabva kuna Nassey.

" Inini here" ndakapindura.

" Kwete iwewe sorry message


yarasika" kakadaro.
Ndakabva ndaisa kaemoje kaya
kakarolla maeyes.

"Boys hadzirole ma ayizi" kakadaro.

Manheru ezuva iri takataura


zvakanaka.Kuchikoro handina
kuwana mukana wekutaura naye
ndakaona kuti aindinzvenga
handizive chii.Manheru akasenda
futi message yake.

"My crush"

"Ummm ini here" ndakapindura.


"Haisi yako yarasika futi hameno
why dzichingorasikira kwauri"
kakadaro kakabva kaisa neka emoje
kekunyaririra.

"Ndoziva ukureva ini ndoziva une


crush neni" ndakadaro.

"Aah King"

" Ndanyepa here Nassey"

Kakada kumboramba kakazobvuma


takatanga kutaura tese kusvika
kuma2.Zuva iri ndakanonoka
kuenda kuchikoro.Ko taibvunzwa
nani takuda kunyora isu.

"Ko ndiperekedzwo kumbare"said


Tatenda.

"Kunodii ikoko"

"Ndine mari yandatumwa


namhamha yandikuda kunopa
vamwe mother"

Takabuda gate rechikoro tikapinda


mucombi tikarova pasi.Takasvika
zvedu iye akaenda kwaiva namother
vacho ndikasara ndakamira
zvangu.Ndikaona vamwe mother
vaifamba vachitengesa masamusa
ndikabva ndatenga 1 chete.Vakabva
vaenderera mberi nekutengesa
zvavo.Pandakadya kudai kuona
hezvo zvarine sadza
pakati.Ndakabhoekana ndikatevera
mother vaya ndikavaona vakamira
nevamwe vakadzi vaitengesa
mafreezit.

"Mother imimi manditengesera


samusa rine sadza pakati ndipei
mari yangu"
"Hezvo mwana iwe undikwanire
wambotenga chinhu pano here"

Mother vakaramba zvekuti ndini


ndakaitwa kunga benzi.Ndakadzoka
ndikasangana naTatenda achiti
abirwa mari yese.

Tatenda airwadziwa
zvandakaona.Takashandisa mari
yangu kudzoka kuchikoro.Takasvika
anga angori zii haana kumbotaura
kuti akabirwa sei.
Akasvika nekurara padesk
pake.Charity akatanga kuseka hake.

"Dzarambwa ka ndaizviziva kuti


muchachema chete iwe ndiwe
wasara" said Charry.

"Hauna kukwana usamhanyisa


pfungwa unobvunza kuti chii chaitika
first"

"Ko chii chaitika ndiudze"

"Tatenda uri kumuona enda


unomubvunza" ndakadaro.
Charry akabva anyarara hake
zvagara naTatenda zvaisanyanya
kupindirana.Palunch ndakabuda
ndikaenda kuclass kwaNassey
handina kumuona ndakasvika muna
Sasha na Anna.

"Hiiii ndafara nhasi wauya kundiona"


said Sasha.

"Umm uri sei" ndakadaro.

"Handisi bhoo ndanga ndakusuwa"

Ndakademba nechandanga ndaurira


kuclass uku nekuti ndanga
ndakutonetswa.Apa aitoda
kutengerwa pie.Ndakasiya ndamuti
ndokutengera
mangwana.Ndakadzoka kuclass
ndakabhoekana saka Nassey anga
akundinzvenga asi pafoni wainzwa
achitaura kuti andisuwa.

Mangwana ndaida kumutaimira


Nassey.Nguva dzebreak
dzakukwana ndakaenda kunomira
padoor pavo.Bhero richirira
ndakaona akubuda ndakabva
ndamubata ruoko
akavhunduka.Ndakamutora tikaenda
kuclass kwedu.Pasina time
ndinoona Talia naSasha
vachipindawo muclass....

*#Drop your comments#*

*WATCH OUT FOR CHAPTER 7*


*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 7*

*Nassey*

King ndanga ndakumunyara apa


ndanga ndakuwedzera
kumuda.Ndakaona kuti ndaiva
nemafeelings but zvanga zviri
impossible kuti tidanane nekuti
ndine mkomana wangu.Pawallpaper
yefoni yangu ndanga ndatoisa
King.Kubva zvandamuudza kuti uri
crush yangu ndanga
ndakumunyara.Aah kunyenga
mkomana ka uku.Akazonditaimira
akandibatira padoor
ndakanyara.Ndakashaya simba
rekumupikisa takaenda kuclass
kwake.Tikasvika kugara padesk
pake.

"Nassey ndanga ndakusuwa"


"Ummm really"

"Yes I love you"

"I l..." handina kupedza kutaura


padoor pakapinda Sasha nekamwe
kamusikana.

"Wanga wasvika nguvai kuno iwe


hure" said Sasha.

Ndakaramba ndakanyarara kwete


kuti ndakapererwa nemashoko aiwa
ndakanyara Kingsley.Ndipo
pandakaziva kuti Talia uyu aiva
hanzvadzi Kingsley.Anga
atotengerwa pie nedrink naSasha
ndakaona kuti kutsvaga
support.Ndakasimuka King
akandibata ruoko.

"Sasha naTalia ndokumbirawo


mumbobuda hamusi kuona ndiri
busy here" said King.

"No mira ndibude hangu"

Ndakadaro ndichitobuda muclass


muya.Ndakaenda kunogara kuclass
kwedu.Ndine mazuva
andaimbozama kuviga mafeelings
but zvairamba.Ndaimboti
handichaitaure naye King wacho asi
ndaizomusuwa ndogumisira
ndakutaura naye.Aindipa too much
attention ukamuisira message
aikurumidza kundipindura.Aiita
kunga ari kugadzirisa mamistakes
ari kutadzwa nemkomana
wangu.Kingsley aigona kufona toita
kana hour tichitaura asi mkomana
wangu chaiye 10mins chaidzo
hadzikwanise.

Henry munhu ane nharo ukada


kumuudza kuti chakati
hachiite.Maipedzerana kusvika
wabvuma kuti uri wrong iwe uri
right.Variko vanhu vakadaro mulife
vekuti ukada kumutsiura anoita
nharo achingoda kunzi side rake riri
right.Unozogumisira wanyarara
asangana nedambudziko
unomunzwa akuti why usina
kumbondiudzawo kuti zvichazodai.

Ndakatanga kuverenga manotes


angu.Anna naSasha vaitaura nyaya
dzavo vari vega.

"But Kingsley achinja akuita kunga


asisachandide"said Sasha.
"Kana uchinzwa kunge usisadiwe
ndozviripo.Wakambonzwa nzara
wakaguta here"said Anna.Ndakabva
ndatanga kuseka zvinova
zvakabhowa Sasha.

"Anna uri mumero ndakuudza nyaya


yangu wakundidaira rough
ndakakuona kuti
hauchandifarire"said Sasha.

"Ok" said Anna akabva anyarara.

"Nassey ndakakuona unonditya too


much kutiza kwaunoita kunoratidza
kuti wakapusa"said Sasha.

"Me avoiding drama doesn't mean


I'm afraid of you.I have anger
issues.Wangu ndinokumamisa
wanzwa here" ndakadaro ndakapora
pora.

Padoor pakabva pamira head.Class


yese ikabva yati zii.Havana
zvavakataura vakabuda vakaenda
munext class.Ndakaona Sasha
akafutisa matama ndakatora
mabook angu ndikabuda kuenda
kunogara munext
class.Ndakaverenga ndakagara
imomo but maiva nenoise
yakanyanya.

Manheru ndava kumba ndakatanga


kutextira Henry asi aindi ignore
achivhura machats
angu.Ndakashaya kuti chii
ndakasenda mamessages
hobho.Ndakaona kuti munhu uyu
akunyanya kujairira.Ndakanyora
imwe message ndakatsamwa

"You think ignoring me will hurt me, I


have been ignored by my brain
during exams and I didn't die"
Ndakabva ndatoita offline.Musi uyu
Kingsley haana kubatika online anga
asina bundle.

Mangwana yaitova
weekend.Ndakanonoka kumuka
zvangu ko ndaimhanyirei
zvangu.Mhamha ndivo
vakazondinetsa vachiti vaida
kundituma kune munhu ane chirweti
chavo.Apa ndakambobvako futi
ndikasvika munhu wacho
asiko.Ndakageza ndikapfeka kaskin
jean kangu ndikabuda.Ndakaenda
kuma areas emunhu wacho
ndikasvika pamba pacho pasina
munhu.Ndakabvunza vanhu
vepanext door zvikanzi vanhu
vepamba apa vakamboenda
kumusha.Ndakubuda ndakasangana
naKingsley.

"Unotombobatika kumaraini kwedu"

"Aiwa ndanga ndatumwa


namhamha"

"Ndanga ndakusuwa Nassey"said


Kingsley.

"Kana neni hanty nezuro hauna


kutaura neni here" ndakadaro
ndakatarisa pasi.Ndaisagona
kumutarisa ndainyara.

"Babe inga ndakakuudza ndanga


ndisina data"

"Hoo rega ndiende"

"Nassey wait ndikuperekedze"

"Unozondirovesa sara"

"Nani"

"NaSasha wako"
"Haa uyo handina basa naye plus
haagari kuno"

Takatanga kufamba tese


achindiudza nyaya ndiri
zii.Ndaingopindura zvaanenge
abvunza.

"Nassey I love you"

"I love you too but it's impossible"

"Why"

"Ndine mkomana wangu"


Pandakadaro ndakaona Kingsley
achirolla maziso ake.Zvakandiitira
funny nekuti zvoitwa negirls
chete.Ndakaona kuti anga atsamwa
akabva atodzoka hake.Ndakasara
ndakamira ndichifunga kuti ndoita
sei.Yes King ndaimuda but zvanga
zvisingaite tidanane ndine
mkomana.Ndakafamba ndikasvika
kumba pfungwa dziri busy
kungofunga kuti ndoita
sei.Pandakafunga day rakakissana
naSasha ndabva ndakatoti fakofu
ngazvigare anomboonererwa King.
Ndakatanga kutaura namhamha
vangu.Ndiri munhu asingafarire
zvekufamba famba.Kana ndisiri
kuchikoro ndaiswera pamba.

"Ko ndiani uyu" vakabvunza


mhamha vabata foni yangu.Vakaona
picture raKingsley pawallpaper
pefoni yangu.

"Ishamwari yangu mhamha"

"Idzo shamwari dzechikomana


unozodzida, ko waunomboisa
paprofile ishamwari yako futi"

Ndakaramba ndiri zii ndakatarisa


pasi.

"Pindura ka ndikutaura newe mune


ane 17 years akutoita
zvevakomana"

"Mhamha zvamuri kufunga


hazvisizvo"

"Nacistacia handidi zvisina basa


handidi zvekunyadziswa zvekuzonzi
mwana waMadam Tsedebu ane
musikanzwa handidi unomudii
mukomana nezera rako iri"

Ndakaramba ndiri zii ndakatoona


kuti nyaya yatoshata.

"Bvisa picture iro ndisati


ndakurova,kukupa foni kwandakaita
kwakutokutuma kuita vakomana,
ndaiitira kuti uwanewo kusenderwa
zvekuchikoro"

Ndakatora foni ndikabvisa pic


racho.Ndakabva ndasimuka kuenda
kunogara kuroom
kwangu.Ndakazonzwa
ndakushevedzwa
namhamha.Ndakabuda ndikaona
pana Anna.

"Nassey handei kustudy"said Anna.

"Hauchaoni idzi ndidzo dzinonzi


shamwari kwete tuvakomana
twako"said
mhamha.Ndakangovatarisa kutaura
chokwadi ndanga ndatotsamwa.

Ndakatora kabag tikabuda kuenda


kuclass.Takasvika muclass medu
maiva nevanhu vashoma.

"Hande tinoverenga takagara kuma


upper uko
kunotonhorera"ndakadaro.

Takaenda tikapinda muclass


munodzidza Kingsley.Maiva
nevanhu vaviri chete.Ndakaenda
kunogara padesk paKingsley.

Takatanga kuverenga umwe


naumwe ari zii.Pasina nguva
ndinoona Tatenda naKingsley
vachipindawo muclass.Ndakaramba
ndakatarisa Kingsley akatoita kunga
asina kundiona akagara
kumberi.Pasina nguva ndinomuona
achitakura desky kubuda naro.

Ndainzwa kuda kutaura naye asi


handina kuda kumuvhiringidza
sezvo vanga vasarwa nemadays
mashoma kuti vanyore.

"Nassey ndiudze chokwadi


unodanana naKing here"

"No handidanani naye kungoti


towirirana chete"

"Hoo saka Sasha anopenga


anotaura zvasingazive"
"Uyo agara anondisaiza one day
ndichamupedzera hangu"
ndakadaro.

"Siyana naye Sasha ibenzi rangu


ndomuziva uya"

Takasiya zvekuverenga tikagumisira


takutaura nyaya tichiseka.

"Vasikana imi mukuita noise endai


kuclass kwenyu mukudei muno" said
Tatenda.

Takabva tanyarara zvedu takatora


mabooks edu tikabuda.Tava panze
ndakaona King akagara panze
akabata foni yake.Airatidza kuti ari
busy nefoni.Mkomana uyu so munhu
akuda kunyora ari busy kutamba
nefoni.Ndakatsika mukagomba
ndikadonha sezvo ndaifamba
ndakatarisa King.Iye aiita kunga asiri
kundiona hake.

"Nassey aaah wanga wadonha


nguvai apa"

"Ndatadza kutsika zvakanaka"

Ndakasimuka tikaenda kunogara


zvedu pasi peumwe muti.Ndikaenda
paApp ndikaona Kingsley atori
online.Ndakasenda message kwaari
ndichiti I miss you.Akabva apindura
achiti huya undione.Ndakabva
ndadzosa picture rake
pawallpaper.Ndakamusendera kuti
iwewe huya undione.Anna
akasimuka kuenda kutoilet ndipo
pakasvika King.

"Ndauya chitaura tinzwe" said King.

"Aah ndotaura kuti chii"

"Saka ndoenda hangu here"


"Kingsley wakanditsamwira"

"Ndiani ati ndaka kukutsamwira"

Ndakaona mhamha vangu


vachifamba kuenda ku office
kwavo.Ndakaona vamira vakatitarisa
vakuuya kwatanga tiri King
aisavaona sezvo vaiva
nekumashure kwake.Ndakaudza
Kingsley kuti enda ndokuona munhu
akuramba akamira...
*#Drop your comments#*

*WATCH OUT FOR CHAPTER 8*


*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 8*

*Kingsley*

"Haugari pano enda unotora


kwawaisa mari yangu usafunga
handisi kukuziva madhiri ako"said
Mai Tatenda.Vaipopotera mwana
wavo nenyaya yemari yabiwa.
"Mhamha inga ndataura wani kuti
yabiwa pane pandakambokubirai
mari here"

"Nyarara apo mafuririrana


naKingsley mukadya mari iyoyo
manje nhasi haupinde pagate apa
usina kunotora kwawaisa mari
iyoyo"

"Mhamha kana magara muchida


kudzinga pamba garai mataura
hazvisisiri zvemari izvi"

"Enda unotora kwaisa mari yangu


pasina izvozvo unorara kunze
kwegate, unofunga ndakapusa inini
ungandivhara iwewe"said Mai
Tatenda.

Mai ava vaitaurisa zvavo


ndakabvuma.Tatenda wacho akabva
anyarara mai vake vakatokiya gate.

"Saka apa handei kuden kwangu


tichironga plan kuti toita sei"
ndakadaro.

"No muchembere wangu uyu


ndomuziva dzichiri hasha ndomira
pano achavhura hake gate"
"Hooo okay kana akatadza kuvhura
unouya paden pangu apana
pressure".

Ndakabva ndatoenda kumba sezvo


kaiva kaFriday.Ndakasvika ndichida
kugeza kuona apana mvura.Kutarisa
mabucket paiva ne 1 raiva nemvura
chete.

"Ukashandisa mvura iyoyo tobika


nei zvimwe zvinoda kufungawo"said
Talia.

"Kufungei iwe wakadii kufunga


kucherera mabucket
acho"ndakadaro.

"Ukangoishandisa ndinoda
kuvaudza mhamha"

"Ndini ndakacherera bucket iri saka


ndisiye ndishandise mvura yangu,
vaudze unoti ndinovatya here"

Ndakatora mvura iya ndikaenda


kunogeza.Ndapedza ndakabuda
pamba apa.Kwaiva kutiza
kuzotumwa kunotsvaga
mvura.Ndakaenda kubhawa
ndikapinda ndichiona bhora raibuda
zvaro paTV manga makaita
kuzara.Ndakabuda kwasviba bhora
ranga rapera.Ndakasvika pamba
pari zii mudhara vanga vauya
ndakaona nemota panze.

"Maswera sei" ndakadaro.Mudhara


ndivo vega vakadaira Mai Talia
vakanditarisa neziso rine mutauro
mukati.Manje handina kuratidza
kutya hangu.

"Wasiya washandisa mvura yataida


kubikisa nei Kingsley"

"Mvura ipi yandashandisa"


"Usada kundiita benzi ndokurova
wanzwa handina zera newe baba
vako vasipo unoonererwa"said Mai
Talia.

"Ko hasha ndodzinei mkadzi wangu"


said dad.

"Taura nemwana wako handidi


nemashoko angu" vakabva
vasimuka wainyatsoona kuti shasha
yagumbuka.Ivo vanganditsamwira
kuti ndashandisirei mvura ko ndivo
vakaichera here.Vakaenda kunorara
mudinning mukasara Dad na Talia.
"Kingsley chiii chiri kumboitika
everyday ndouya ndichinzwa
macomplains"

"Nyaya yacho yaida ivo moms


varipo vatizei kureva kuti ndivo vane
mhosva"ndakadaro.

"Kingsley handidi zvekunetserwa


mkadzi wangu kana usingadi
zvepano unobva wonotsvaga pako
pekugara woita zvaunoda ikoko
,pano panoti inini nemkadzi wangu
unotoita zvatataura tanzwanana
here"
"Ko mungazotii henyu magara muri
side remkadzi wenyu mai vangu
zvavasipo handina anomira neni
anyway ichasvikawo nguva
yamuchandidawo"

"Ndinokupeta peta wanzwa here


usada kundinzwisa hasha" said
mudhara vakabva vasimuka kuenda
kubedroom kwavo.

Ndakabva ndaendawo kwangu


ndikabva ndarara.Kana kudya
andina ndanga
ndadhinhiwa.Ndakatotanga kuona
kuti Mai Talia vainyepera kundifarira
nhema vakandivenga.Manheru
mvura haina kuuya takamutswa
naMai Talia hanzi muka uende
kunotsvaga mvura naTalia.

Ndakatora mabucket angu maviri


tikabuda naTalia apana aitaura
neumwe.Talia wacho airatidza kuti
anga akatotsamwavo.

"Handei tinochera kuchikoro uko


haiyendi"said Talia.

"Haa tadii kumbodzika togona


kuiwana kuzasi uku"
"Hona vanhu vari kubva kuzasi
nemabucket kuratidza kuti
hakunawo"

Kuchikoro ndaitya kuzodhumana


naNassey.Nezvandanga ndakapfeka
zvacho zvaisaita kuti ndisangane
naye.Ndakaona kuti apana
yekutamba apa kutoenda kuchikoro.

"Mira ndimbonochinja ndikudzoka"


ndakadaro.

"Hezvo asi chii nhai, munovaitirei


vasikana vacho kana muchiziva kuti
munonyara"

"Akuudza kuti ndonyara ndiani"

"Kana usinganyari handei ka"

Panga pasina yekutamba takatanga


kufamba.Takapinda pachikoro guard
wepo akati paisadiwa vanhu.

"Isusu tinodzidza apa" ndakadaro.

"Izvozvo azvina basa ndati apana ari


kuchera mvura apa"said guard.

"Unopenga wanzwa ndinoda


kuzviona izvozvo" ndakapinda
zveforce.Talia ndiye akasara pagate
anga ava kutya.Ndakachera
mabucket angu akazara.Ndikanotora
raTalia rikazara pakuda kubuda
guard anga atokiya gate racho.

Pasina nguva ndinoona madam


Tsedebu vaida
kupinda.Vakavhurirwa gate havana
zvavakataura nesu.Takabva
tatobudawo ipapo.Takasvika pamba
tikanwa tea.

Pandakabuda masikati ndipo


pandakaona Nassey achibva
kumaraini kwedu.Ndakamuudza kuti
ndomuda asi iye akati aindidawo but
zvaisaita kuti tidanane.Pakangotaura
zvemkomana wake ndakapera
simba plus kutsamwa.Ndakadzoka
kumba ndikasangana naTatenda.

"Moms yakazovhura gate iwe"

"Saka better une plan here"

"Handina ndakatsva handina kana


mari" said Tate.

" Saka hande kuchikoro


tinoverenga"

Takanotora mabook tikaenda


kuchikoro.Ndipo pandakasvika
Nassey ari padesk pangu.Ndakaita
sendisina kumuona ndaisada
kutaura naye.Ndaibiridzira
kumutarisa ndaiona
akandiyeva.Ndakagumisira ndabuda
muclass macho.

Pasina nguva ndinoona vabuda


ndikaona adonha.Ndakada
kumumhanya kunomusimudza asi
ndakasiyana nazvo.Iye zvekudona
donha anenge
anozvidawo.Ndakaona ndaisirwa
message.Ndakataura naye
ndikaenda kunomuona.Ndakatanga
kutaura naye face to face
ndakatarisa malips ake.Ndainzwa
kuda kumukissa ndofunga
akazviona ndakamunzwa akuti
"enda ndozokuona" ndikaramba
ndakamira.Pasina nguva ndinoona
madam Tsedebu vamira paside
paNassey ndakanzwa kunyara.

"Bio haimbonetsi Nassey


chandakaona paya inoda kunzwisisa
chausina kunzwa better kubvunza
anyone muclass anenge achiziva or
kuenda ku office
kwemudzidzisi"ndakadaro
ndichivhara nyaya.

"Okay thanks saka wondipa book


riya rawataura pamwe
ndingabatsirikana" said Nassey.

"Okay ndichatuma Charity azouya


kukupa rega ndimhanye kunorova
book"

Mai Nassey havana zvavakataura


ndakasiya vakamita nemwana
wavo.Ndakanomira pawindow
ndichitarisa kuti Nassey haana
kusara achipinda ma1
here.Ndakatoona Mai vake
vakutoenda ku office kwavo.

Ndakaenda pafoni pangu ndikaona


Nassey ari offline.Zvekumutsamwira
ndanga ndazviisa paside ndaitonzwa
kuda kutaura naye.But nyaya yekuti
ane mkomana yaimbondibata
bata.Takazobuda zuva rava kudoka
tikasangana naNassey aine
kashamwari kake.Ndakaramba
ndakamutarisa pandakazofunga kuti
pane munhu ari kumudya ndakabva
ndatodhiniwa handina kana
kuzotaura naye.Apa Nassey wacho
aitomboisa mkomana wacho
paprofile pikicha kureva kuti
anomuda.Tatenda akatoshayawo
kuti chii ndiye akasara akamira nana
Nassey.Tatenda akazondimhanyira
akandibata ndatova pedyo nepaden.

"Kingsley tell me chii chikumboitika"

"Kuitika papi"

"Pataona vasikana vaya wabva


wadhiniwa"
"Haa aiwa watadza kuona mushe"

"Asi pane akakuramba here


pavasikana vaya" akabvunza
Tatenda.

Takatsvaga pekugara Tatenda


ndikamuudza nyaya yacho yese.

"Nassey wacho unomuda


zvemashuwa"

"Yes ndomuda ndoda kumuita


wangu chete ndiudze ndoita sei"

"Ingomurova zvinhu ka hanty ndiyo


slogan yedu here ko wakatanga
kutya rini"

"Ndikuda kudanana naye kwete


kumutambisa moyo wangu
wasarudza Nassey, mwana uya
hameno zvangori so" ndakadaro
ndavharira maziso ndichifunga
Nassey.

"Hezvo izvi hazvisisiri zvega I think


akakushandisira mushonga mubabe
uyu"

"Kachiri ka innocent kaya


ndakazviona"ndakadaro.
"Wakazviona sei"

"Kingsley ndikukutsvaga"
takacheuka tikaona ari Sasha.

Musikana uyu kutaura chokwadi


anga akundisvota anga asingachadi
kusiyana neni.Ndiye umwe
achavhiringa maplan angu pana
Nassey.Ndakataura naye
ndikamunyengerera ndikapihwa
mari.Pana Sasha ndaida mari chete
kwete zverudo.Ndaiziva kumba
kwavo vaiva vakabudirira.
"Ndoda kuona tete vangu"

"Tete vapi"

"Tete Talia"

"Manje ari kumba unomuona sei"

"Ndamufonera vakutouya"

Pasinawo nguva Talia akauya


akachena vakabva
vaenda.Ndakashaya kuti vaviri
vakambowirirana zvadii.Handina
hangu kubvunza kuti vari
kuendepi.Chandaiziva ndechekuti
Talia aizokurimidza kudzoka sezvo
zuva ranga radoka.

"Haaa munhu uyu chimbomira


kurara naye handichamuoni mushe"
said Tatenda.

"Why wadaro"

"Type idzi dzokutizira vakuwirirana


pakudii naTalia chimwe unaona
kupinza kaNassey busy nehure iri"
achipedza kutaura ndakaseka.

"Sasha ava hure nhasi nhai"


"Saka haasi here ndiudze
pawakarara naye aiva virgin here"

"Kusava virgin hazvirevi uri hure


shamwari, munyika yatakurarama iyi
hakusisina chonzi virgin" ndakadaro.

Takasiya mabook pamba pana


Tatenda tikabuda kuenda kubhawa
kunoona bhora.Bhora racho
raitobhowa zvaro takabuda tikatanga
kudzoka kumba.

"Shaa ndokuona mangwana"


"Asi hausi kuenda kuchurch"
akabvunza Tatenda.

"Ndiri kuenda ndasuwa kuridza


makeyboard"

"Saka toenda tese ndine kamwana


kamufundisi kandiri kuda kusvikira"

"Shaa kwawava kutambira uko


unonyura ana mkoma vacho
unovaziva mushe here"

Ndakabva ndamhanya kuenda


kumba.Ndakasvika vanhu vatova
kudya.Ndakaenda mukitchen
ndikaona ndisina kusiirwa chikafu.

"Ko changu chiripi"

"Wanga uripi unoda kusiirwa


chikafu" said dad.

"Mazvionawo everyday anouya


nguva dzino muchavigirwa muroora
pano"

"Saka handichabvumidzwa
kunoverenga nevamwe here, kana
musingandide pano garai mataura"
ndakadaro.

"Chikafu chako chiripo enda


unotarisa ndachiisa pamusoro pe...."
Haana kupedza kuTalia akatwa
namai vake.

"Nyarara iwe wanzi upindire nani


hee ,iwewe Kingsley hadzisi nguva
dzekuuya kumba ndinenge ndava
worried samai kuti mwana aripi"

Talia akasimuka akandipa chikafu


changu.Monday yakasvika vanhu
vakatanga kunyora.Ini ndaizotanga
mangwana wacho.Tatenda ndiye
akanyora akabuda achichema
chema hanzi handina
kupedza.Mangwana acho akasvika
ndikagarawo mu exam.Tichinzi
titange kunyora kuvhura bepa
kwakuona.....

*#Drop your comments#*

*Watch out for chapter 9*


*LAMP OF MY JOY*

https://chat.whatsapp.com/HJE40wL
rB0fKo5sw37nGKk

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445
*CHAPTER 9*

*Kingsley*

Ndichivhura bepa ndakarohwa


nehana ndichiona zvinhu zvacho
zvaiva zvitsva
kwandiri.Ndakambotora nguva
ndichiverenga bepa rangu
ndikatarisa vanhu ndikaona vatori
kunyora.Ndakambofunga kuti
zvimwe ndapihwa bepa risiro asi
ndakangoona kuti ndiro.Ndakatanga
kunyora zvandaifungira kuti ndizvo
tikasvika pakunzi stop ndisati
ndapedza.Ndakabuda muclass
matainyorera ndiri zii ndikaenda
kunogara kugarden kwemaform 3.

Ko maexmas acho kutanga akaoma


kudai ndinopasawo here apa
handina kana kupedza.Ndakadzoka
kuclass ndikatora kabag kangu kaiva
nemabook ndikaenda kulibrary
kunoverengera
ikoko.Ndakazobudamo pakakwana
lunch ndanga ndatova nenzara apa
ndaiva ndisina kana mari
zvayo.Ndakasangana naTalia
achienda kuclass kwana Sasha.

"Ko iwewe naSasha munowirirana


pakudii" ndakabvunza.

"Ndimakoti wangu Kingsley


wakazvibatira ari bhoo munhu uyu
ndomufarira hangu ipapa ndikuenda
kuclass kwake akati anoda
kunditengera pie nedrink
palunch"said Talia.

"Sasha handimude handina


mafeelings naye zvekuti makoti
wako ndezvekupenga izvo"
"Ndikukuziva hangu kuti Nassey
ndiye akaita usada Sasha ndiye
akataura zvekunyepa pamusoro
paSasha kuti umuvenge, mira
uzoona hako I hate kaNassey kaya
nxaa"

"Nassey ndiye munhu wandinotoda


manje ndiye achava makoti wako
usingade uchida ndapedza newe
ndikangonzwa kuti maita something
wrong kwaari topedzerana"

Nassey ndakatoona anondida but ari


kunyepera kuhwanda nezvekuti ane
mkomana.Iye mkomana wacho
anombogarepi nekuti pandakaona
face yake yakaratidza kuti inyowani
kwandiri.Ndakasiyana nazvo
ndikaenda kunogara pasi peumwe
muti wekumaclass kwedu ndipo
paiva naTatenda.

"Ndanga ndichikutsvaga shaa" said


Tatenda.

"Une plan here nditori nenzara"

"Ngatibaye kushop"

Takabva taenda kushop kuya


tikasangana naSasha aina Talia
vachibva kushop.Sasha achindiona
akabva auya pandiri
achifara.Ndaisatomboda kutaura
naye but ndaisada zvekumuwachisa
pazere vanhu.

"Anga ari sei ma exams honey" said


Sasha.

"Anga ari nani"

"Hona Kingsley ndatengerwa


namakoti wangu I hope
hauzomurasise unofana kuuya kumu
introducer kumba kuna mhamha
vamuzive"said Talia.

Pasina nguva ndinoona Nassey


achipfuura namai vake.Ndinoramba
ndakamuyeva achifamba iye haana
kumbondiona hake.Sasha akazviona
akafinyama hake haana zvakataura
vakabva vatoenda naTalia.

Tatenda ndiye aiva nemari akatenga


mabiscuit nedrink tikadya.Nguva
dzevanhu kuti vaende kumba
dzakakwana.Ndakasara
ndichiverenga sezvo mangwana
wacho ndaiva ne exam
futi.Ndakazoenda kumba kwava
kusviba.Ndakasvika mudhara vanga
vavapo.

"Ko bhutsu idzi wakadziwanepi I still


remember handina kumbokutengera
dzakadai"vakabvunza dad
vakatarisa bhutsu dzangu.

"ndedzangu ndakadzitenga"

"Mari yacho wakaiwana kupi"

"Ndinomboita tuma piece jobs


hangu"
"Kuratidza kundishoora ikoko, unoda
kufamba uchindishooresa zvinenge
zvakunzi Mr Tsepelo havana care
nevana vavo"

"Azvinzwa Save dzorai hasha,


munhu wemkomana uyu anofana
kumbobata batawo kuti awane ye
airtym zvozoita here kuti
akukumbirei mari pese pese"said
Mai Talia.

Mai Talia ndizvo zvavari dzimwe


nguva vanombondivenga dzimwe
nguva vondifarira.Asi chokwadi
ndaichiziva hangu vaisanyanya
kundida vaingoda kunzi vari bhoo
vane moyo wakanaka pamberi
padad.Dad vakabva vadzikama
havo.

"Ko ranga riri sei exam my son"said


Mai Talia.

"Ranga riri nani"

"Zvinoita ndinokutemba mwanangu


unopasa"

Ndakadya ndikaenda pafoni pangu


ndikatanga kutaura
naNassey.Ndakazosiya foni
ndikatanga kuverenga sezvo ndaiva
ne exam mangwana acho.Mazuva
aya ndanga ndisisina nguva
nevasikana nekuti ndaiva
ndakunyora.Ndaiti ndikapedza
kunyora ndotoenda kumba.Tatenda
ndiye aimbosara hake anga
akutaimira Anna shamwari yaSasha.

Anna wacho anga rough aisatangika


zvekudaro.Saka Tatenda aida
kutotanga awirirana naSasha or
Nassey kuti awine Anna.Saka zvese
zvaiitika Tatenda aindiudza hake.Iko
kaNassey kacho kanga
kakundinzvenga nzvenga handina
kumboita pressure nazvo.Asi
ndaimbofokafunga hangu kungoti
apa ndaida kutanga kupedza
kunyora ma exams ndozofambira
nyaya dzacho.Rimwe zuva
ndakafunga kumbokumbira mudhara
mari yekutenga watch.Zvemucheno
ndaizvidawo kungoshaya chete
kwandaita.

"Dad ndokumbirawo mari yekutenga


watch" ndakadaro.
"Izvozvi handina mari kana ndava
nayo ndokupa"

"Okay"

Handina kuda kupikisana navo.Talia


aiva ne 2 mawatch aitoita
kuchinjanisa 1 yacho akatengerwa
namai yake imwe
namudhara.Mangwana yaitova
weekend dad vakamukira kuenda
kumusha gogo Tsepelo
vairwara.Gogo ava ndivo
vanobereka mudhara.Ini ndakangoti
ndichipedza kudya ndikaenda
kumba kwana Tatenda.Akatanga
kundiudza nyaya dzake.

"Ka Anna kanoda kuzviona


sekanoshamisira nxaa"

"Ko hasha ndedzei nhai Tatenda


vasikana ava havadi kuitira
hasha"ndakadaro.

"Anna akanditi ndine Aids hakusi


kujairira here apa aitaura pazere
vanhu mira ndoda kukawachisa"

"Ukaita izvozvo zvauri kufunga


ndiwe unozofamba mbiri yakashata
,kana kachipopota iwewe ita cool
kanozonyara kega"

Tatenda aiva nenharo


ndakazomusiya akadaro.Ndipo
pakasvika vamwe baba vepanext
door pana Tatenda.

"Tatenda ndiri kuda vanhu 2 now


kugraft kwangu nhasi namangwana"

"Basa renyu rorwadza Mr Mavhitalo


plus isu hatisi mabuilder"

"Kana musingakwanise it's okay


rega nditsvage vanoda "said Mr
Mavitalo.

Akatanga kufamba ndakamutevera


ndikati ndoda hangu.Tatenda
akazobvumawo tikaenda kwaiva
nemabuilder acho.Takaudzwa
zvataifana kuita.Takatanga
kushanda navo kusvika zuva
rivire.Takapihwa mari yedu ma
$10US ndakafara.Ndakananga kune
mufesi aitengesa ma watch
ndikatenga yandaida ndikatoipfeka
ipapo ipapo.Ndakazoona imwe
yechisikana ndakafairira ndakabva
ndaitenga.Ndakasvika kumba
ndichifara kwanga kwava
kutosviba.Panga pasina
munhu.Ndakashaya kuti team
raendepi paigara makeys
ndaipaketa hangu.

Ndakageza zvangu ndikagara


pasofa team rakazouya vakati vaiva
vakaguta ane nzara ngaabike
ndakasvotwa.Ndakashaya kuti
vadya kupi.Ndakaziva kuti kufarisa
uku nekuti dad vaiva
vasipo.Ndakaona Mai Talia vabuda
mubedroom mavo vachiita kunga
vaitsvaga something.

"Ko mamboona $12US yangu here"

"Ini ndiri kubva kutosvika izvozvi ko


yanga iripi" ndakabvunza.

"Umm ini mhamha tabuda tese paya


saka handizive manyatsa kutsvaga
here"

"Ehe ndaisiya apa ini saka mukuti


yaita makumbo here"vakadaro Mai
Talia vakanditarisa.

Tese tanga tava zii ndakabuda


mumba umu ndikanogara
kunze.Ndakaona ndateverwa
ndikabatwa hembe zverough
ndikadhonzwa kupinda mumba
namai Talia.

"Ndiri kubvunza zvemari apa iwe


wakubuda hakuna umwe ndiwe
waiba chete ndiri kuziva ndasiya
mari apa"

"Kutanga rini kuba mhamha kangani


muchisiya mari dzenyu apa ndiripo
makambondiona ndichitora here
even mukandituma kushop
handidzoki nechange yenyu here"
"Kingsley handisi kuda nyambo
dzako ndati ndipe mari yangu pasina
izvozvo hapadyiwe rinopisa pano"
vakadaro vakwidza voice.

"Mhamha ndiri kubva kusvika izvozvi


handina kumbotora mari yenyu ini
zvaMwari kudai"ndakadaro.

"Unofarisa kana baba vako vasipo


manje neni tinopedzerana haurari
pano usina kundipa mari iyoyo
wanzwa"
Vakandisiya vakaenda muroom
mangu vakaona ma watch andanga
ndatenga ari pabed nechange
ye$3US yandanga ndasarwa nayo.

"Saka waba mari yangu kutenga


tuma watch twako iih zvakaoma
zvandoitirwa pamba pano"

"Mari iyi ndeyangu haisi yenyu


ndaitoshandira nhasi kana muchiti
ndonyepa handei kumba kwaMr
Mavitalo izvozvi"

Vakandipa mbama iri strong zvekuti


ndakanzwa hasha ipapo.Ndakada
kuvadzorera asi
ndakazvidzora.Vakatanga kupopota
vakabuda nemawatch angu
nekamari yangu futi.Ndakabva
ndatokiya door ndanga
ndagumbuka.Kungokura usina mai
vako chaiwo kwakaoma.Chainyanya
kundibhowa ndechekuti dad varipo
Mai Talia vanoita kunga
vanondifarira.Kana Dad vachindituka
kana kuita sei vanonyepera kuda
kundi defender zvinzi vane moyo
wakanaka.

Vakafonera baba vangu vakavaudza


kuti ndanga ndaba mari.Handina
kunzwa kuti mudhara vakapindura
kuti chii.Asi ndaitoziva kuti mudhara
wangu apana paikwanisa
kundinzwisisa.Hakuna chinhu
chinobhowa kunyeperwa chinhu
chausina kuita ukada kuzvichenesa
apana anokuterera nekuti everyone
anenge akutozvitenda kuti ndiwe
wazviita.

Mudhara vakazouya makuseni


naGogo Tsepelo.Gogo vakanzi
vaifana kuendeswa kuchipatara
mangwana.Nyaya iya
yakazotangidzwa futi.
"Uri kuona mwana wako akatora
mari yangu akatenga mawatch ake
aya kuitawo here ikoko
ndakumubvunza akuramba"

"Kingsley zvekuba wakazvitanga rini


mari iyoyo ndiri kuida nhasi pasina
izvozvo unondiona tanzwanana
here"said dad.

"But chimbotererai side rangu mari


yandakatenga watch idzi ndey....."
ndakarohwa mbama ndisati
ndapedza kutaura nadad.

"Ndakuzviona hauna respect namai


vako kana usingade zvepano tora
mabag ubve pano wakuda kuzviita
baba pano" said dad.

Ndakabuda ndikaenda kwana


Tatenda ndikamuudza zvanga
zvichiitika zvese.

"Talia ndiye anenge akaba mari


kakangwarisa kamwana kaya"said
Tatenda.

"Hapana mari yandinodzosa zvavari


kutaura ndezvekupenga Mai Talia
ndinovapa respect but vakuda
ndizovaratidza kahunhu kangu
manje"

"No iwewe usanetsana navo ita easy


mudhara vako vachazoona vega kuti
mkadzi wavo ndiye benzi"

Takazoenda kugraft kwedu


tikaswera ikoko.Takazobvako
kwasviba ndakatenga sadza
ndikadya.Ndakaenda kumba
ndikasvika nekurara hapana
wandakataura naye.Ndakazonzwa
door raku knokwa ndikavhura
ndikaona vari Mai Talia.

"Ko hausi kudya here" said Mai


Talia.

"Ndakaguta"

"Ko ndipe mari yangu"

"Mhamha nyaya yacho haiperi


here"said Talia.

"Iwe wanzi upindire nani"said mom.

Mai Talia ameno vakapinza sei


maoko avo muhomwe metrouse
randanga ndakapfeka vakatora
ka$10US kangu.Pavakatora mari
yangu ndipo pakazotangira nyaya
yese.Shuwa kuti ndaswera
ndichidikitira kushandira mari iyoyo
yongotorwa zvechihwai kudaro....

*#Drop your comments#*

*WATCH OUT FOR CHAPTER 10*


*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 10*
*Nacistacia*

"Stay away from my brother hausi


type yake handitombokufarire
hangu, ndikuziva zvese ndiwe ukuita
Kingsley aitire Sasha rough"said
Talia.

Tanga takagara muclass pari


palunch vamwe vanga vabuda.Anna
anga akaterera nyaya yaitaurwa ari
zii.Sasha aingotsenga buble
gum.Ameno kuti ranga richine muto
here nekuti abva makuseni
achingoritsenga.

"Kingsley wacho ndakamubata here


zvekuti handisi type yake zvapinda
papi" ndakadaro.

"Ukuda kuita nharo neni here


musikana iwe ndakakuvenga pasi
nekudenga uri kahure unoda
kukwana kwana pausingakwane"

"Hey young girl buda muno


ndinokuputisa Nassey waunoti hure
akahura nababa vako here ukwane
siyana naNassey haana problem
nemunhu"said Anna.

"Eeh mbuya manzi mupindire nyaya


yacho nani usapindire nyaya
dzausingazive"said Talia.

Kamwana aka zvakaiva nenharo


ndaida kumbokaratidza hunhu
hwangu kangazondiona semunhu
akapusa.But handina kuwana
mukana wacho kanga kakutotukwa
naAnna.

" Pfutseki mhino inenge chisharo


chebhasikoro, apana zvaunondiudza
iwewe ndinokurova wanzwa,
Kingsley wacho anoshamisirei heee
buda muno uchikunhuhwa wet
iwewe nxaa" said Anna.

"Anna usafarisa atadzei Talia


wawakutuka, iwewe ndiwe wapindira
nyaya dzisi dzako kwako kuda kunzi
wakanyanya here nhai" said Sasha.

Talia kakabva kabuda kanga kapusa


manje.Ndipo pakapinda Tatenda
ameno zvakataura naAnna
ndakazongonzwa Anna akupopota.
"Unondiona kunyarara wofunga kuti
ndakapusa inini naSasha takasiyana
nekure iwewe Tatenda ndagara
ndakakuvenga mese naKingsley
wako musatombotambira pedyo
neni"

"Babe usadaro ndikuda kutaura


newe zvakanaka pasina
kutukana"said Tatenda.

"Ukuti babe inini here siyana neni


handisati ndakuda kuzorwa edzi"

Tatenda akabva abuda


akagumbuka.Sasha akateverawo
tikasara tiri two muclass.Takatanga
kutaura nyaya dzedu tiri 2.Tanga
takuwirirana zvakanyanya mazuva
aya.NaSasha tanga tisingachataure
naye.Kingsley ndaingotaura naye
pafoni chete.Ndaimbozama kuda
kumu ignowa pafoni pacho but
zvairamba.Uyu Henry anga asiri
kubatikawo ndaishaya kuti
arikunyatsa kumboita nezvei.

Weekend yaitobhowa nekuti


ndakaswera pamba.Pakauya Anna
zvakatomboita nani.Takabuda
tikaenda kumaraini ana Kingsley
pamba pavo ndaisapaziva
hangu.Takapfuura nepaivakwa imwe
imba ndikaona Kingsley naTatenda
vari ipapo vachi mixer cement.Ivo
havana kutiona havo takaenda
pashop tikatenga maMega.

"But Anna waisafana kupopotera


Tatenda"

"Nassey hausati wakunyatsa kuziva


hunhu hwaTatenda naKingsley
ndikakuudza unofunga kuti
ndinorwadziwa newe nekuti unoda
Kingsley but vanhu ava maplayers
vanotambisa vasikana"
"Akati ndoda King ndiani
ndongowirirana naye chete"

"Une mafeelings naye ndakazviona


handizozive kuti iye anokudawo
semadiro aunomuita here"

"Aaah tsek wako Anna"

"But haufani kumuratidza kuti


unomuda plizz"

Takazochinja nyaya tikafamba


kudzokera kumba.Anna akabva
aendawo kumba kwavo.Monday
yakasvika tikaenda kuchikoro
Kingsley ndakamuona handina
kumbotaura naye airatidza kuti ane
stress.Ndakambofunga kuti zvimwe
ma exams akaoma.Pakandiona
akauya pandiri akatanga
kunyemwerera asi ndakatozviona
kuti haasi bhoo.

"Nassey ndanga ndakusuwa"

"Inga wani totaura pafoni"

"Ehe but ndanga ndasuwa kutaura


newe face to face hanty
waindinzvenga here"
" Aaah handina kumbokunzvenga,
asi uri kurwara here"

"Why wadaro"

"Pindura zvandabvunza ndiri kuona


chiso chako hachina mufaro"
ndakadaro ndakamutarisa.Iye
akabva anditarisawo mumaziso
chaimo ndikabva ndatanga kunyara.

"I'm okay kungoti musoro wangu


wanga uchirwadza"
Tatenda akabva asvika patanga tiri
achinyemwerera hake.

"Nassey munhu anodiwa naKingsley


uri sei hako" said Tatenda
achindimhoresa anobva aramba
akabata ruoko rwangu.King anobva
anditarisa nerimwe ziso rine
kajealous mukati.Tatenda
akazondisiya ndofunga aiitira
kufinhura King here nekuti akabva
atanga kuseka.

"Guys chingodananai chii chiri


kunetsa inga makafitana wani"
"Iwewe wakafitana naAnna saka
dananai"said Kingsley.

"Nxaa ako kane dzungu ndoda


Nassey undibatsire ndiwe
unowirirana naAnna"

"Leave Nassey alone iwewe enda


unopedzera babe uri 1"said
Kingsley.

"Haaa pakaipa apa mira ndione


Sasha hangu anondibatsira"

Akabva atoenda hake ndikasara


naKingsley achindiudza
nyaya.Ndakazotarisa dama rake
ndikaona ranga rakazvimba
ndakada kumbobvunza asi
ndakasiyana nazvo.

"Nassey ndinokuda I know ukutya


kudanana neni nekuda mastories
awakaudzwa or andakakuudza
epamusoro pangu but kutaura
chokwadi ndinokuda ukandibvuma
ndinosiyana zvese zvekuwanza
vasikana"

"Ndoziva sei King kuti uri serious


plus vakomana ndizvo
zvamunongotaura kuti heee
ndochinja but hamuchinje ini
handide I love my boyfriend handidi
zvekumu cheater" ndakadaro asi
mumoyo ndaida King.Pandakataura
izvi King akabva atsikitsira pasi ari
zii.

"Nassey tell me wakanditarisa


mumaziso kuti haundide"

"Aaah inga wani ndakuudza"

"Ndati ndiudze wakanditarisa"

"King unonetsa iwewe aah"


Ndanga ndakunyara nekuti King
ndagara ndaiva nemafeelings
naye.But umwe moyo waindiudza
kuti mubvume umwe uchiti
aiwa.Bhero rakarira ndikadzoka
kuclass akandiperekedza apa
ndaisada nekuti ndaisada kuti Sasha
andione ndinaye.Akandisiya padoor
repaclass pedu Sasha akazviona asi
hapana zvakaita akaramba ari zii
zvinova zvakandishamisa.Sasha
ndinomuziva nekutaurisa asi apa
anga ari zii.
Ndakagara padesky ndiri
zii.Ndaigara pakati paAnna naSasha
kumberi.Sasha akatanga kunyora
maths dzake ari zii.

"Ko Sasha aitwa sei" ndakabvunza


Anna.

"Siyana naye abva kunetsana


naKingsley"said Anna.

"Muri kunditaura muri kuda


ndirambwe iwewe Nassey this time
unonyura ooh ndopika naMwari
watambira kuwrong side uri
munyowani pachikoro pano woda
kusvika kushamisira"

Pakabva papinda kasir kekuonda


kaya kachida manoise makers
panga pakanyorwa ini naAnna asi
Sasha haana kunyorwa.

"Nasitanziya naAnna mazita enyu


haashaikwe pamanoise makers
makamboita sei"

"This time taisaita noise asi taiita


discussion ndoshaya kuti
tanyorerwei" ndakadaro.

"Garai pasi next time ndikakuonai


pamanoise makers ndinoda
kukurovai"

Vakabva vabuda sir vaya ndakafara


kuti hatina kurohwa kana kupihwa
punishment.Pasina nguva ndakaona
Kingsley apinda akandipa rimwe
bepa akabuda.Ndakavhura bepa
riya ndikaona iri nhetembo
yandanga ndanyorerwa ndakatanga
kunyemwerera.Sasha akatora bepa
akaribvarura ndakanzwa hasha.

"Wakufarisa manje watorerei bepa


rangu"
"Go to hell mwana wehure"

"Saka uri kuzama kuti mai vangu


ihure here nhai"

Ndanga ndasimuka hakuna pain


inorwadza sekutukirwa mubereki
vako.Ndakada kumbozvidzora asi
munhu wacho akawedzera
kundituka nezvinyadzi.Anna ndiye
akandibata ndanga ndakuda
kumurova Sasha.Anna akabuda
neni tikaenda kugarden Sasha
akatevera.

"Unofunga wakangwara here iwe


hure"

Ndakatora mavhu ndikamudira


kumeso.Akatanga kuchema achiti
maziso ake haachanyatsi
kuona.Anna ndiye aindibata
ndaitoda zvekumurova.Ndiri munhu
akakura asingade zvefight kana
zvenoise asi Sasha azoenderera
mberi.

Sasha akatanga kuridza mhere


achiti maziso ake.Anna akatora
Sasha akaenda naye kutank kwaiva
nemvura yekudiridza
mugarden.Vakanoti nyaa ikoko
Sasha akazodzoka maziso akaita
red.

"Ndiri kuenda kwahead izvozvi


nekuti maziso angu akutorwadza uri
kuzodzingwa pano chete"said
Sasha.

"Sorry" ndakadaro.Ndanga
ndakuregretter zvandanga
ndaita.Ndaiziva kuti mai vangu
vakazviziva kumba ndairohwa chete.

"Sasha ndiwe watanga anyway sorry


usaenda kwahead"said Anna
Anna akazama kuda kutaura
naSasha but haana
kunzwisisa.Takangomusiya akadaro
akabva atoenda hatizive kuti
akaenda kwahead here.Anna
akatanga kundisimbisa
hake.Ndaingonamata kuti dai
zvikasasvika munzeve dzamai
vangu.Takazodzoka kuclass tikaona
Sasha anga asimo.Pasina nguva
ndinoona Sasha achipinda akati
ukudiwa kwahead.Ndakapindwa
nechando panguva iyoyo....
*#Thanks nemacomments#*

*WATCH OUT FOR CHAPTER 11*


*LAMP OF MY JOY*

https://chat.whatsapp.com/JDK0Y9f
nxeR4QqdacdWYES

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 11*

*Kingsley*

"Mukasadzosa mari yangu yamatora


apa hondo yamatanga neni haiperi
mushe ndopika namai vangu vari
pachuru maguta kunyarwa"
ndakadaro ndava
nehasha.Ndakatevera kudinning Mai
Talia vanga vagara pasofa.

"Saka ukuedza kuti chii" said Mai


Talia.

Gogo Tsepelo vakanzwa noise


vakabuda muroom mavo vachiuya
kudinning.Vaifana kuenda
kuchipatara mangwana acho.

"Ndati kana musina kundipa mari


yangu yamatora panofa munhu pano
ndipei mari yangu, munoswera
makagara pano tichishanda basa
rekuda kutitorera mari dzedu nxaa"
ndakadaro.

"Futseki saka ukuda kundirova here


rova ka wakamirirei"

"Ndati ndipei mari yangu"

Mai Talia vakabva vandipa


mbama.Pandanga ndakuda
kudzorera Gogo vakabva vamira
pakati pedu.Ndidzo nguva
dzakasvika dad.
"Iwewe Mai Tariya unandinyarawo
wazvinzwa akati nyaya inopedzwa
nekupopota ndiani"said Gogo.

"Ko chii chaitika,ko Kingsley adzosa


here mari iya"said dad.

"Munhu wese ngaagare pasi titaure


nyaya yacho ikunetsa izvozvi
musoro wangu wakurwadza nenoise
yanga ichiitwa pano une shuwa Mai
Tariya mkadzi mkuru kuswera
kupopotedzana nemwana"said
Gogo.
"Mhamha tarisai maside ese
Kingsley uyu akaba mari yangu
12US akatenga mawatch ake, baba
vake vakati anofana kudzosa mari
iyoyo saka ndiyo yandatora iye
akundiudza zvekuti akuda kundirova
ngaarove"said Mai Talia.

"Kingsley wakuda kukura musoro


uyu mkadzi wangu nhasi unondiona"
said Dad vachisimuka.

"Baba vaKingisiri ita semunhu akura


saka ihasha dzei dzawakuita dzoka
ugare pasi apa inini nditonge nyaya
yacho" said Gogo.Dad vakada
kumboita nharo asi vakazodzikama
havo.

"Muzukuru wangu Kingisiri ndiudze


zvakaitika" vakadaro gogo
vakanditarisa.Ndakataura zvese
ndakaona kuti vairatidza
kunzwisisa.Mai Talia vakataurawo
zvavo vachiti havasi kuzodzosa mari
yangu.KaTino ndakaona kaida
kutaura but kaizobatwa naTalia kuti
kasataura.

"But nyaya iyi haisi yekuti ungabva


wananga Kingisiri pamwe iwewe
wakanganwa pawakaisiya, ko
ungabva wabata mwana zvakadaro
saka ndiwo mabatiro aunoita mwana
aya iwewe Ba Kingisiri handina
kutaura here paya mwana achiri
mudiki ndipei ndigare naye
ukaramba"

"Muri kurerekera side raKing but


agara ava nemisikanzwa mwana
uyu ndakazviona Mai Talia haana
problem anozama nepese panogona
kubata Kingsley zvakanaka but
haatereri"

KaTino kakabuda kachimhanya


hameno kakaendepi kakadzoka
kachiisa bhutsu patable.Kakabva
karohwa naTalia.

"Ko ibhutsu dzaani idzi" vakabvunza


Mai Talia.

"Mhamha mwana wenyu


ndichamurova uyu haanzwi"said
Talia.

"Mari yakabiwa nasis Talia ndiyo


yavakatenga bhutsu idzi inini
vakandinyimawo" said Tino.

Ndakafara pandakanzwa izvi Mai


Talia vakangovhura ziso vakatarisa
Talia.Talia wacho akatanga kuti
kunyepa.Akazorohwa nadad zvekuti
dai gogo vasina kubata aifa
chete.Mai Talia vakandipa mari
yangu yese nemawatch angu
vakabva vatoenda kurara.Vanga
vakatsamwa nekunyara futi.Talia
akaenda kunorara anga atozvimba
matama.

"Zvatondishamisa nekuti Talia


haasimbobi uyu"said dad.

"Vana ava vanoda kurairwa fanike


zera raTariya iri akura akuda kugara
achiudzwa nekuti mangwana
munozochema naye uyu kana
mukasaraira"

Ndakabata gogo ndikavaendesa


kuroom kwavo
kunorara.Ndakavasiya varara day iri
kaTino kakati kanoda kurara
neni.Handina kupikisa hangu
ndaikafarira hanty mwana wababa
vangu here.Tino kungoti
kaingoudzwa zvekunyepa kuti
kandivenge.
Kuchiedza Mai Talia vakaenda
nagogo kuchipatara.Mudhara
vakaendawo kubasa ini
ndichiendawo kuchikoro.Takanyora
but iri ranga risina kunyanya
kuoma.Pandakaona Nassey
ndakazama kuda kumunyengerera
kuti andibvume but ndakaona aida
mkomana wake.Ndaimanikidza
pandisingadiwe kutaura chokwadi
ndakarwadziwa.Nassey ndanga
ndamuda zvekurevesa asi ndakaona
kuti hazvibatsiri kuramba ndiri nanga
nanga naye iye achiti haandide.Zuva
iri ndakaswera ndiri zii zvinova
zvakanetsa Tatenda.Ndaifunga
zvinhu zvakawanda panguva
imwe.Akamboedza kunditaudza asi
akatoona ndaisatova mumood.

Pachikoro pacho panga


pakutobhowa ndakaenda kumba
sezvo ndaiva ne exam next
week.Week iri ndanga ndisisina
exam.Ndakasvika kumba Gogo
naMai Talia vadzoka.

"Ko hindava kukurumidza kudzoka"


vakabvunza Gogo.

"Ndapedza kunyora ndichazozviona


next week futi, ko matobva
kuchipatara"

"Ehe ndapihwa mishonga iyi iwo


makumbo ari kurwadza"

"Saka madya here Gogo"

"Ehe ndadya hangu"

Ndakambotaura nagogo vangu


ndikazobuda kupinda mutown sezvo
ndaiva nekamari.Ndakatengera
gogo vangu bhutsu ndikatengawo
dzangu kamari kaya kakabva
katopera.Pandapa gogo bhutsu
dziya vakafara vakanditenda
kasingaperi.

"Mwari akuropafadze muzukuru


wangu ndafara une moyo
wakafanana newamai vako,Mai vako
vaka..." havana kupedza kutaura
gogo vatsikitsira
pasi.Vakamboramba vari zii
ndakaona vane zvavaida kutaura asi
havana kuzotaura.Ndipo pakauya
Mai Talia nechikafu vakaisa patable
gogo vakadya zvavo.

"Ndatengerwa bhutsu idzi


nemuzukuru wangu ndiri kufara
ndinoda kuti Mwari vamukomborere
vanokuvenga vachakuda rimwe gore
batisisai mashoko angu aya"

"Akavengwa nani mhamha inga


wani ini ndomubata semwana
wangu"said Mai Talia.

"Mai Tariya usafunga kuti kunyarara


kupusa kubva uroorwe wakangouya
kumusha uko ka1 ko Tariya naTino
kana kumbovaunzawo"

Mai Talia vanoramba vari zii


ndakaona kuti vanga vatsamwa.Asi
ishuwa Talia naTino vairambidzwa
kuenda kumusha havatokuzive
zvakaoma.Kana ndikaenda
kumusha gogo vaigara vakabvunza
vari sei vazukuru vangu sei vasina
kuuyawo.KaTino kakabva kuchikoro
kakasvika kudya kakatanga kutaura
nagogo.Talia akauyawo kwava
kusviba.

Manheru munhu wese achidya Mai


Talia vanga vasina mufaro pachiso
chavo.Vanongonyobvora chikafu
vototi vaguta vakaenda
kunorara.Patinopedza kudya Talia
anorongedza mandiro kaTino
kanoenda kunorara.Ndinonzwa gogo
namudhara vachitaura mudinning.

"Mangwana ndiri kudzoka kumba


kwangu"

"Mati mapora here zvamava kuda


kudzoka"said dad.

"Ndinonopora ndavako inga


mushonga ndava navo"

"Ko kumba kwacho makasiya


mwana here zvamuri kumhanya
kuda kudzoka ko vazukuru venyu
vamaiti masuwa manga mavaona
here"

"Hapana zvandingataura ndati


mangwana ndikudzoka chete ehe
vazukuru ndavaona kana vachida
kuzondiona vanouyawo
kumusha"said gogo.

"Mhai hakuna kwamuri kuenda


musati masimba asi matukana
naMai Talia here"

Gogo havana kupindura ndakaona


vaenda kuroom kwavo.Dad
vanoenda kuroom kwavo pandanga
ndakuendawo kunorara ndakanzwa
Dad naMai Talia vachinetsana vari
mubedroom mavo.

"Mai vako vakandivenga hanty ipapa


vanga vachitaura zvaMai Kingsley
vachiti heee vanga vane moyo
wakanaka ko ini ndine moyo
wakashata here "

"Ndizvo zvakurwadza here Mai Talia


ava ndimai vangu ndinovaziva
zvimwe usazvitevedza kwava kukura
ndabva kutaura navo kuti
vambogara vozoenda vapora"

"Kana vachienda kuenda ngavaende


vagara vakandivenga pamwe chete
nevana vangu andisisina mufaro
pamba pangu inga wani ndoedza
kuvafadza ndaenda navo
kuchipatara ndikavatengera chikafu
havaoni zvakanaka zvandovaitira asi
vari busy kuona pandinotadza"

"She is my mother apana chochinja


wanzwa, iwewe une problem yekuti
haudi kugadziriswa pawatadza
unoda kunzi uri right pese, paya
wakati Kingsley ndiye akaba mari
yako iye achiramba usafunga kuti
ndakadzungaira pano pamba panoti
inini"
"Baba Kingsley ko ndatadzei"

"Nyarara ndakuzviona unonyepera


kufarira mwana wangu ndiripo
ndisipo unomubata coward manje
pano unobva, apana chondirwadza
ndotsvaga umwe mkadzi ndichiri
kunzwa ini"

"Sorry daddy ndichazama


kugadzirisa pandiri kutadza plizz
sorry"

Mudhara akosoftwa hake ndakabva


ndananga kuroom.Ko mudhara
zvanomboita kunga akadyiswa chii
chinenge chichimboitika asi
mishonga ya expire here.Kungoti
mudhara wangu ane hasha anotaura
zvanoda.

Mangwana Gogo vanga


vatorongedza hembe dzese.Mai
Talia vakazvininipisa vakataura
nagogo vakanzwisisa havo.Gogo
vakadziisirwa mvura yekugeza
vakatanga kubatwa zvakanaka.Talia
anga andivenga ndaisava nebasa
naye.Ndakaenda kuchikoro
pabreak.Ndichisvika ndakaenda
nekugarden kwemaform 3 ndikaona
Talia achirovana
naSasha.Ndakaramba ndakatarisa
ndikaona Talia ndiye aitorohwa
ndakada kumbosiya.Ndakazoona
Anna asvika achibata fight iyi.

"Mari yangu yandakakupa ndiri


kuida yese nxaa ndosaka uchiri
kunhuhwa wet"said Sasha achireva
Talia.

*#Drop your comments#*


*WATCH OUT FOR CHAPTER 11*
*LAMP OF MY JOY*

https://chat.whatsapp.com/LA1CjLak
Q4k0d4oGoMVApd

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587
_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 12*

*Nassey*

Ndakaenda kwahead ndichitya


,head vacho vairatidza kuti
havandizive.Ndainamata kuti dai
vakasaziva kuti ndiri mwana
waMadam Tsedebu nekuti mai
vangu ndovaziva ndorohwa ndikafa.

"Garai zvenyu pamachair apa"


vakadaro.Tikagara pamachair paya
asi kutaura chokwadi hana yairova.

"Iwe unonzi ani zviya" vakabvunza


head vachireva ini.

"Nacistacia"

"Okay ko ndiwe wadira musikana


uyu mavhu kumeso here"
vakabvunza.

"Ndiye atanga inini nda...."


"Pindura zvandabvunza handisi
kuda nhoroondo"

"Yes ndini"

"Okay ko Sasha chii chaita udirwe


mavhu kumeso" vakabvunza
head.Sasha akamboramba
akanyarara.

"Anditukira mai vangu ndizvo


zvandibhowa anganditi mwana
wehure inini"said Sasha achinyepa.

"Kunyepa ndiye andituka akunyepa


uyu" ndakadaro.

"Ndiwe wandituka nyarara wagara


unodenha uchitemba kuti uri mwana
wateacher"

Takatanga kupopotedzana head


vanga vari zii.Takazoona vabata
shamhu ndipo patakanyarara.

"Saka mauya kuita noise mu office


mangu here, ko anga aripo ndiani"

"Sir kutaura chokwadi ini handina


mhosva nyaya yatangira muclass
Kingsley andivigira bepa
renhetembo uyu Sasha akabvarura
bepa rangu ndikatanga kumubvunza
iye akutonditukira mai kana muchiti
ndonyepa endai munobvunza vanhu
vemuclass"

Head vakabuda vakaenda kuclass


kwedu vakanoti nyaa variko.Ndidzo
nguva dzakasvika mhamha vangu
vakabata mafile mumaoko.Mhamha
vakaramba vakanditarisa havana
zvavakataura.Head akadzoka
mhamha vakapinda vakapa head
mafile aya.
"Madam Tsedebu wait ndimbopedza
nenhubu idzi"

"Vaita sei"

"Andidira mavhu mumaziso" said


Sasha.Ndakazoona ndapihwa
mbama namai vangu.

"Madam Tsedebu musarova mwana


haana mhosva ane mhosva
ndiSasha uyu"sais Head.

Ndanga ndakutochema Sasha


akarohwa nahead akaendawo
kuclass achichema.Ndakatoziva kuti
kumba hakuna chakanaka
ndainorohwa chete
namhamha.Nguva dzekuenda
kumba dzakakwana ndakambogara
kuti nguva dzifambe ndaitya kuenda
kumba.Ndakazorovera moyo
padombo ndikaenda
kumba.Ndakasvika mhamha
vakagara zvavo pasofa vari pafoni
yavo.

"Maswera sei mhamha"

"Mapweya shei mwamwa kudii huya


pano"said mhamha vachisimuka
pavanga vakagara.

"Sorry mhamha" ndakadaro


ndakuchema.

Mhamha vakandipa mbama


kumusana ndikatanga kuridza
mhere.Ndakuda kutiza vakandibata
vakakiya door ndakarohwa zuva iri.

"Ndimbozvinzwa futi kuti warwa


nemunhu ko dai munhu wawadira
mavhu akuvara waiita sei hee taura
tinzwe"
Ndakapinda muroom mangu
ndikatanga kuchema.Kubva zuva iri
ndakabva ndavenga munhu anonzi
Sasha.Ndanga ndakugara
ndakanyarara Anna ndiye
wandaingotaura naye.

Mazuva aya Kingsley anga


asingachataure neni.Vakasvika
pakupedza kunyora ma exams avo
vakaoneka vakabva vaenda kutaura
chokwadi ndakachema.Kuti shuwa
angaenda asina kuuya kundionawo
kana kundipa rememberance.Isu
takanga kunyorawo ma exam
ekupera kwegore anga asina
kunyanya kuoma zvavo.Ndanga
ndanyarara zvekuti mhamha
vakambofunga kuti ndanga
ndakavatsamwira.

Number dzaKingsley kuda


kudzifonera dzaitoramba pamwe
akachinja number ameno.Takasvika
pakupedza kunyorawo ma exams
edu pakadaidzirwa top ten ndipo
pakandirwadza inini kukundwa
naSasha.Sasha anga ari number 7
inini ndiri number 9.Ndakarwadziwa
zvikandipa shungu yekuverenga
nesimba.Anna ndiye akaita number
3 ndipo pandakaziva kuti munhu
aigona.Ndaisava dofo but ndanga
ndisingachaverengi sezvandaiita
kudhara.

Mhamha havana kumbondituka asi


vakandisimbisa nekuti vakatoona
ndisina mufaro.Mhamha vakatsvaga
kwekuti ndinoita ma extra lesson
ndakakuwana kumaraini kwana
Tatenda.Ndine lesson rimwe
randaiyenda na5 zuva rakuvira
raizopera kwasviba iroro
raindibhowa.
"Nassey" ndakacheuka ndikaona ari
Henry.Ndanga ndichangobva
kubuda mulesson
kwasviba.Ndakashaya kuti auya
kuita sei ndakaramba
ndakamutarisa.

"Ndanga ndakusuwa babe"

"Wanga uripi wauya kuona ani"

"Ndauya kuona iwewe"

"Henry you are not serious paApp


pacho hautaure neni,chimbondiudza
ukumboita nezvei mazuvano"
"Babe ngatitaure tichifaramba" said
Henry.

Takatanga kufamba tikasangana


naKingsley akangonditarisa haana
kutaura neni.

"Nassey ndinoenda kubasa ndiri


driver paimwe company saka
paunoona ndisingataure newe
ndinenge ndiri busy"

"Hoo manheru unenge uri busy futi"


"Manheru ndinenge ndakaneta"

"Henry kutaura shuwa


handichakunzwisisi"

"Nassey rega kundifungira zvakaipa


iwewe sei uchiramba kuuya kumba
kwangu"

"Kuuya kunoitei ikoko,rega ndienda


kumba"

Ndakatanga kufamba munhu akauya


kundibata.Akatanga kuda
zvekundibata bata ndakasvotwa
ndakagumisira ndakumutuka.
"Saka unonditukirei huh you are my
girlfriend ndofana kuita zvandoda
newe"

"Nxaa ndezvako izvo wanzwa


siyana neni"

"Kana pane munhu ari kudya zvinhu


zvangu izvi ooh naMwari anofira
mahara"said Henry.

"Handichakude you are useless


zvehasha ndozvaunogona nxaa"

Ndakabva ndatanga kufamba


ndikamuona achitevera ndakatanga
kumhanya.Ndakasvika kumba
mhamha vachidya zvavo.

"Ko hembe yabvaruka nei"


vakabvunza mhamha.

Kusatombozviona ndakabva
ndavavhara mhamha.Pandakatora
foni yangu ndakaona mamissed call
aHenry nemamessages
achipopota.Panzvimbo yekuti
akukumbira ruregerero
akundipopotera.Ndakabva
ndamublocka kwese ndikadilita
number dzake.Ndakabva ndatsidza
kuti handichaite mkomana futi.

Dumisani akafona ndikatanga


kutaura naye.Akati ari kuuya next
week achaita 2months ari
kuno.Ndakafara nekuti namkoma
vangu tainzwanana.Ndakabva
ndadeleta mapics aHenry
ese.Ndakatarisa raKingsley raiva
pawallpaper pangu handina
kuribvisa.

"Ukatamba naAnna unopasa mwana


uya ndakamuona ane hunhu"said
mhamha.
"Ndiye wandinotamba naye"

"Yaa mukafurirana kuita zvemabook


munopasa Sasha siyanai naye
anokufurirai kuita zvakaipa"

Kuchiedza ndakamuka kuita basa


rangu rese.Ndakamboswera
ndakagara pamba Anna akauya
tikatanga kutaura nyaya tiri kuroom
kwangu.Ndakamuudza zvese
zvandakaitirwa naHenry.

"Umm ndosaka paya ndakati siya


zvevakomana iwewe hausi dofo
ndakakuona unogona but problem
pese une uchingofunga Kingsley
uchitadza kuita zvemabook"

"Ndasiya ini handichaite


zvevakomana"

Takazoenda kulesson kwedu tese


naAnna.Takaita malesson edu
zvakanaka asi problem yakazotanga
patakaona Henry akamira panze.

"Nacistacia sorry nezvandakaita


nezuro"
"Henry leave me alone zvako
handichadi"

"Unga wandiblocker here babe inga


ndiri kuti sorry unoda ndiite sei kuti
undiregerere"

Ndakamusiya tikatanga kufamba


naAnna.Anna akabva aenda kumba
kwavo.Ndipo pandakaona kuti Henry
ainditevera ndakabva ndatanga
kumhanya.

Ndakasvika pamba ndava


kufemeruka mhamha vakatobvunza
ndikavavhara.Pakabva paita knock
padoor mhamha vakaenda
kunovhura ndikaona ndiHenry.

"Makasimba here ko ndiani


uyu"vakadaro mhamha.

"Muri sei moms ndonzi Henry ndipo


panogara Nacistacia here"

"Ko uri ani wake"

"I love her dai mataura naye


andinzwisisawo haasi kuda
kunditerera"said Henry achinyepera
kunzwisa tsitsi.
Mhamha vakacheuka vakabva
varamba vakanditarisa.Hana yangu
yanga yakutorova mai vangu
ndaivaziva....

*#drop your comments#*


*WATCH OUT FOR CHAPTER 13*
*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445
*CHAPTER 13*

*Nacistacia*

Kutaura chokwadi zvakaita Henry


zvakandibhowa ndakawedzera
kumuvenga.Ndakatoona kuti apa
ndikapusa ndairohwa namhamha
ndaifana kutoita sendisingamuzive
Henry.Ko kana vakamboona
paprofile pangu ndaizoita sei.
"Nacistacia munhu uyu unomuziva
here" vakabvunza mhamha.

"Munhu upi mhamha" ndakanyepera


kuvhiringika.

"Akamira apa usada kundiita benzi"

Ndakatora torch ndikaenda paiva


pakamira mhamha.Ndakavheneka
Henry kumeso sezvo kwanga
kwasviba.

"Aaah mhamha munhu uyu ndiani"


ndakadaro.
"Nassey usadaro usaita kunga
tisingazivane" said Henry.

"Iwe mkomana ziva wakamira


pamba pangu hautaure matsvina
akadai kuface kwangu leave my
child alone"

"Moms ndaisada kuuya pano I know


zvandaita hazviite but chokwadi
ndechekuti ndodanana nemwana
wenyu tanetsana akandiramba ndiri
kuzama kuda kukumbira ruregerero"
said Henry.

"Ini munhu uyu handimuzive ari


kunyepa mhamha, handina
mkomana"ndakadaro.

Mhamha vakapinda mumba


vakabuda vakabata tsvimbo Henry
achiona izvi akabva
atiza.Ndakanzwa mhamha
vakudaidzira vakamira pagate.

"Ndikakuona uchinetsa mwana


wangu ndiri kuda kukusungisa"

Mhamha vakadzoka mumba


vakagara zvavo pasofa.Ndanga
ndakutya kuti nyaya inogona
kutanga futi.Vakandidana kuti ndiuye
kugara pedyo navo.Ndakanogara
pasame sofa navo hana ichirova.

"Nacistacia my daughter zera


rawaari iri rinoda kuzvibata unoona
kunga ndinokuitira hutsinye
ndinenge ndichizama kugadzira
ramangwana rako, vakomana ava
havana future haufare here
ukazoroorwavo wava
kuzvishanda"said mhamha
vakanditarisa.

"Zvakangonakawo munhu
kungozvibata ko ukatadza kuita
mkomana unofa here, maresult ako
haana kundifadza ndati
ndingokuudza inyaya yevakomana
yakaita udzikire"

"Mhamha kutaura chokwadi handina


mkomana, I promise next term
ndichaita zvekuti mufare mhamha"

Vakanyemwerera mhamha vakabva


vatoenda kubedroom
kwavo.Ndakaenda paApp but
paitobhowa zvapo.Ndakabva
ndaenda kunorara ndikamuka kuita
basa rese.Ndakaona mhamha
vachena chena vachiratidza kuti
vakuda kubuda.Ndipo pakabva
pasvika Anna akabereka setchel
yake.

"Nacistacia ndikuenda kurufu


ndikuita 3 days ndakumbira Anna
uyu ambouya kugara newe
pano"said Mhamha.

"Kurufu kwaani"

"Mai Yollanda vafirwa nasis vavo"

Mai Yolla vaiva sahwira wamhamha


vangu.Vaigara kwandaimbodzidza
vaiva teacher futi.Mhamha
vakandipa mari yekuti ndozotenga
chinenge chashota.Kwaiva
kungondipawo havo asi zvinhu
zvese zvaivapo.Takaperekedza
mhamha vakakwira combi.

Takudzoka kumba ndakaona foni


pagate pedu.Anna akainhonga
ndakaramba ndakaitarisa
ndakashaya kuti ndeyani yairatidza
kuti inyowani.Yanga ine password
pandakaibatidza ndakabva ndaona
pic reumwe musikana anga akanaka
akabata kamwana pawallpaper.
"Munhu uyu ndinenge ndinomuziva"
said Anna.

"Ndiani"

"Aaah ndoziva kumuona chete"

"Foni iyi ikande kunze uko ko ine


tracker tinopinda busy tikazonzi
taba" ndakadaro.

"Asi taura hako handei tinoisiya


kuroad uko"

Yakabva yatanga kuringer hatina


kudaira takangotarisana.Yakaringer
kechipiri tikaisiya
yakadaro.Takanoidzosa patanga
taiwana.Pasina nguva ndinoona
Henry asvika ndakasvotwa.

"Sorry ndakadonhedza foni yangu


pano"

"Enda unotora foni yako kugate uko


handidi kukuona futi pano"

Akabuda akaenda kugate kuya


akadzoka akabata foni yake
achinyemwerera.Saka ari
pawallpaper paHenry ndiani, asi ane
mkadzi.Ndakatanga kuzvibvunza
mibvunzo yakawanda.

"Nassey ndokumbirawo kutaura


newe"said Henry akamira padoor.

Ndakapinda mumba ndikatora


tsvimbo iya ndikadzoka kumira
padoor.

"Ndokumbirawo ubve pano Henry"

"Handibve pano ndisina kutaura


newe Nassey"said Henry
akanditarisa.
"Unoziva handina kubvira ndakuda
but ndakangokubvuma nekuti wanga
wakundinetsa wairamba kurambwa
handina mafeelings newe
ndakazowana wandine mafeelings
naye, saka chibva pano"

"Ukuedza kuti chii musikana iwewe"

"Ibva pano ndisati ndakurova"


ndakadaro.

"Nassey unondida ndozvinzwisisa


kuti dzichiri hasha"

Ndakasimudza nzvimbo ndichida


kumurova akanzvenga ndikabva
ndadonha.Ndakanzwa hasha
ndakamurova kumusana ndikaona
anga atsamwa.Akandibata huro
afuta kumeso nehasha.

"Nassey usandituma kuita


zvandanga ndisingadi wanzwa"

Ndanga ndisinganyatsi kutaura


sezvo ndanga ndakadzipwa.Ndanga
ndakutadza kufema mushe ndipo
pakabuda Anna mumba
akandinunura.Akatora bucket
remvura akadira Henry.Henry
akaenda akatota hembe dzese
akaita kutsamwa.

Ndanga ndatotsamwa Anna ndiye


akazotaura neni.Ndakazoswera
ndakufara asi ndanga ndasuwa
Kingsley.Ndakaona kuti anga
andivenga.Ndakafunga plan
yekumbofamba kuenda kuma area
kwavo ndaingoda kumuona chete
chero ndikatadza kutaura naye, asi
ndamuona moyo wangu
unofara.Ndakaudza Anna kuti
timbofamba famba akada kuramba
asi akazongobvuma
hake.Takatotakura nemasetchel aiva
nemabook taizobvako tonanga
kumalesson.

"Nassey ndikuziva hangu reason


yawati tiuye kuno"

"Ndeyei"

"Wasuwa Kingsley ndanyepa here"

"Aaah zvabvepi saka vanhu


hatichafani kufamba here"

"Rega ndinyarare asi ziva kuti King


is player" akadaro.
Takaona Talia akagara panze
perimwe gate.Pakationa akabva
amhanya kupinda mumba.Pamwe
akafunga kuti zvimwe tauya
naSasha nekuti vanga
vasingachawirirane.Nyaya yakaita
vasawirirana inyaya yekuti Talia
aidya mari yaSasha achinyepa kuti
akusimbisa relationship yaKing
naSasha.

"Ndipo pamba pacrush yako apa"


said Anna akanditarisa achiseka.

Kingsley wacho akabva abuda


chiona zvaiva zvakapfekwa ndakada
kumboseka asi ndakazvibata.Iye
pakandiona akaramba akanditarisa
akada kudzokera asi akabatwa
naAnna.

"Kingsley ndauya nemunhu wako


ndanga ndanzwa nekunetswa
ndichinzi handei unondiratidza
pamba paKing"

"Hooo anoda kupadii"

Katrouse kanga kakapfeka Kingsley


ke orange kaindinakidza
kakavhuruka kuzasi.Ndakaona kuti
Kingsley aingochena ari kuchikoro
chete.Tatenda akabva asvika Anna
akabva atodhiniwa.

"Wagona wauya Tatenda wanga


uchibvunza naAnna" ndakadaro.

"Nassey usada kufadza munhu


nenhema ndomubvunza kuti
anoshamisirei"

"Iwewe musikana wakundijairira


ndakasiyana newe wakuramba
uchida zvekundinyomba"said
Tatenda akanongedza Anna.
"Usandinongedza handisi mwana
wamai vako wanzwa"

"Ndakuzokumamisa manje
nxaa"said Tatenda.

"Handirohwi nemunhu ane edzi ini"


kakadaro kaAnna kakarova serious.

Mwana aidenha hake.King akatora


Tatenda vakabva vaenda vakatisiya
takamira pagate pavo.Taingoona
kaTalia kachidongorera.
*Mai Talia*

Kubva pakasvika Gogo Tsepelo


zvinhu zvakabva zvachinja
pamba.Gogo Tsepelo vaindibhowera
panyaya yekuda kunzi chavataura
chiri right.Ehe vakura vakuziva
zvakawanda but hazvirevi kana
wakura chawataura chiri
right.Ndakatanga kudanana naBaba
Kingsley mai King vachiri
vapenyu.Vaitoti havasati vane
mkadzi asi kumba kwake aisada kuti
ndiuye ndaishaya kuti why
aidaro.Akazorara neni munhu
kwakubva atoti nyaa kusabatika
ndakasara ndichibata
nhumbu.Kumba kwake ndaisakuziva
ndakazoenda kubasa kwake
ndikamupopotera ndikamuudza
ndane nhumbu.

Ndakazobata aiva nemkadzi


nemwana ndakada kufa
neBP.Mkadzi wacho ameno akaziva
sei pandaigara akauya akandituka
achiti ndisiyane nemurume
wake.Ndakamushaudha zvekuti
akadzoka akuchema.Shuwa munhu
angauya kundituka kumba kwangu.

Ndakaudza sis vangu Mai Jabu


zvese zvakaitika.Vakandiudza
matips ekuti ndigadzirise pane
maweakness amai Kingsley.Ba
Kingsley pavaiuya kumba kwangu
ndakatanga kuvabata zviri bhoo
zvekuti vakagumisira vakundida
zvakanyanya.

Papera mazuva ndakazongonzwa


Mai Kingsley vashaya.Kutaura
chokwadi handina kufara ndaingoda
vabve pamurume chete.Handina
kuudzwa chaita kuti vafa nechii
vanhu vaingotaura kuti vafa
nechirwere chemoyo here ameno.

Kufa kwakaita Mai Kingsley ndiko


kuzoroorwa
kwandakaitwa.Ndakatanga
kuchengeta Kingsley kachiri
kadiki.Ndaikapa rudo rwamai asi
ndakazotanga kumuvenga
pandakaona baba vacho vaimuda
kupfuura mwana wangu Talia.

Kingsley kupasa kwakaita "O" level


baba vake vaida kumutengera
something ndikavamisa ndanyepa
kuti mhamha vangu vairwara
ndikapihwa mari
yacho.Ndairwadziwa kutaura
chokwadi kuti vatengere King
something mwana wangu
vasingamutengeriwo.Mashoko
ababa Talia ekuti Kingsley ndiye
aizochengeta mhuri yese ndiwo
aindibhowa.Pakanyora A level
ndikutoziva haafe akapasa
ndakafambira nyaya dzacho.Ndaida
mwana wangu Talia abudirire
azochengeta iye Kingsley wavo.

Kingsley paiti ma exams akaoma


ndaifara.Ndanga ndakuda kuita
zvekuti abve pamba nekuti anga
akundishaisa mufaro.Kuuya
kwagogo kwakatovhiringa maplan
angu.Ivo gogo vacho vaitaurisawo
panguva iyi ndainyepera kuwirirana
navo hangu kuti murume wangu
afare.Ndakaudzwa kuti ukavenga
mai vemurume unopesana
namurume wako.

"Talia ko wakazvimba chiii chaitika"

"Mhamha hure raKingsley randirova"


said Talia.

"Unodawo zvinhu unorohwa pasina


zvawaita here"

Talia wacho akaramba akanyarara


ndakaramba ndakakatarisa
ndikaona mwana wangu
aikura.Ndaida azoroorwa
zvinodadisa vavengi vanyare
kunyanya Gogo Tsepelo.

"Talia uri kukura unofana kuzvibata


vanhu vakawanda vanokudzikisira
asi ini mai vako ndinodada newe
ndoda unyadzise vavengi upase
kupfuura Kingsley ugoshanda
uzochengeta ini nababa vako naTino
pamwe chete naKingsley wacho"
"Amen mhamha musatya
ndakazvibata ndichaita zvekuti
mufare"

"Ukapasa ndinokutengera laptop"

"Hiiiiiii shuwa here mhamha"

"Ehe"

Zvelaptop ndakazvitaura kuti anzwe


shungu nechikoro.Mazuva akafamba
Gogo Tsepelo vanga vasimba.Tino
kaifarira gogo zvandakaona asi Talia
akatodza inini hunhu aisavada.

"Talia uchanodzidza kumusha


uchigara nagogo vako panovhurwa
zvikoro"said Baba
Kingsley.Ndakarohwa nehana
pandakanzwa izvi.

"Dad why madaro madii kuti


Kingsley ayende inga akapedza
kunyora wani"said Talia.

"Haugoni kuti mkoma here iwe


ndizvo zvandinonetserana newe
zvekusapa vanhu respect"said Dad.
"Manje neni anodzoka ava
muforo"said gogo.

"Saka panovhurwa chikoro


ndichanopihwa transfer latter"said
Dad.Talia akatanga kuchema
achiramba kuenda kumusha.

"Zvandataura ndizvo plus pachikoro


pauri kunodzidza ndipo
pandakadzidza panopaswa kupfuura
penyu apa"said Dad.

"But zvinokanganisa mwana izvi dai


manzwisisa"
"Mai Talia nyarara uyu mwana
wangu ndini ndopa madicision"

"Mwana wedu tese saka ndinewo


right yekutaura"ndakadaro
ndakaona kuti ndikapusa mwana
anoendeswa kumusha ndiripo.

"Mai Talia hautaure panditaura


wanzwa here, ndoda mai vangu
vagarewo nemuzukuru sikana wavo
uyu vanenge vachimuraira
vachimuudza zvoitika muhupenyu"

"Saka wanzwa kuti inini handisi


kumuraira here"

"Ndinokurova wanzwa here Nancy,


mwana uyu akangwarisa
ndakamuona hangu saka
akamboenda kunogara uko anoita
bhoo"

Ndakabva ndanyarara asi ndanga


ndatogumbuka kutaura chokwadi.Ivo
gogo vanga vakanyarara havo.Talia
ndiye aingochema achiti haadi
kuenda.Zvekuparadzaniswa nevana
vangu ndizvo zvandaisada....
*#Drop your comments#*

Tsepelo FamilyLee
Tsedebu FamilyNassey

*WATCH OUT FOR CHAPTER 14*


*LAMP OF MY JOY*
_Written by *King Lee*_
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 14*

*Kingsley*
Pandakaona Nassey panze pagate
ndakanyara nekuda kwedressing
yandanga
ndakapfeka.Kwandaishanda
kwaisada mucheno ndanga
ndakumboshanda kune rimwe rori
raitakura jecha rekuvakisa.Tisu
tailoader neku offloader jecha racho
asi mari yaiva iripowo.Waipihwa
mari yako warwadziwa basa iri
rorwadza.Ndakafara pandakanzwa
Anna achitaura zvekuti Nassey
ainetsera kuda kuziva pamba
pedu.Zvakandiratidza kuti anondida
asi ndaiti ndikafunga pandakamuona
ane mkomana wake ndaisvotwa.

Takaenda kugraft kwedu naTatenda


aiva nehasha nekutukwa kwaanga
aitwa naAnna.Takabva tasangana
naSasha akachena ndakamboramba
ndakamuyeva.Ndakaona
achinyemwerera akanditarisa
akauya achimhanya akavhura
maoko ndakafamba kuendawo
kwaari ndakavhura
maoko.Ndakaona munhu andipfuura
achinopa kamwe kamusikana kaiva
kumashure kwedu.Ndakanyara
Tatenda akabvaruka nekuseka.Rori
riya rakabva rasvika tikabva tapinda
Tatenda anga achiri kungoseka.

"Iwewe unosekawo
nezvisingasekesi unopenga"

"Ndisiye ndiseke apa paida kavideo


haaaa Sasha akanyanya"said Tate.

"Usada kundibhowa wanzwa here"

"Sorry King matotsamwa here iwewe


hauna kuona Sasha anga achida
kukuwachisa here paya
zvangondiitira funny"
Vanhu vataiva navo vakabvunza
zvanga zvaitika Tatenda haana
kuzotaura hake.Takasvika tikatanga
kurova basa sebasa zvekuti musana
wangu wanga
wakurwadza.Takaendesa jecha riya
kune imwe imba tika
offloader.Tichipedza tikabva tapihwa
mari yedu ma$20US umwe naumwe
akapihwa yake.Pandakabata foni
ndakaona mamissed call enew
number ndakashaya kuti
ndiani.Ndanga ndatochinja number
number dzaNassey ndanga
ndisisina kana achida nezvangu
achazouya ega
kundikumbira.Ndakaona kanoda
kunyengererwa too much ndakabva
ndatoita give up.

Pandakaenda kumba ndipo


pandakasvika pane nyaya iri
kupisa.Nyaya yaTalia achinzi
ayende kumusha asi mai vake
vaisada.Vakangobvuma kuti
zvivabve ndakavaona
hangu.Ndakabva ndabuda
kunochinja mari yangu sezvo yanga
yakabatana.Ndakaenda kune
kamwe kateacher kaiitisa malessons
ndiko kaindichinjira mari.Ndakasvika
vari busy ndakapinda kugara
mulesson macho ndichiona hangu
zvanga zvichiitwa.Pandakacheuka
ndakaona Nassey
akanditarisawo.Ndakabuda
ndikanogara panze malessons
pakapera ndakaona kasir kaya
kakandichinjira mari
yangu.Ndakuenda kumba ndikaona
vanhu vaiita kunga vakunetsana
mkomana nemusikana.Ndakaramba
ndakamira ndikaona mkomana aida
kuzama kudhonza musikana kuenda
naye mumota.

"Nassey ndiwe wakundituma kuita


hasha ndati handei tinotaura
takagara mumota"

"Henry ndakati handichakude


ndichibva pano ndikuenda kupolice"
akadaro nekavoice kane kuchema
mukati.

Ndakasvika ipapo ndikamira pakati


pavo.Henry akabva aramba
akanditarisa.

"Iwe ndiwe ani hausi kuona


ndikutaura nemusikana wangu"said
Henry.
Ndakatarisa Nassey ndikaona anga
akuchema anga abvarurirwa hembe
yake.Moyo wangu wakarwadza
handidi kunyepa.Nassy akandibata
ruoko zvine simba zvandakanzwa
ipapo.Henry achiona izvi anotanga
kupopota.Ndinomupa chimwe
chibhakera chemudumbu akadonha
pasi.Ndakamusiya akarara pasi
ipapo ndikapa Nassey hembe
yandanga ndakapfeka sezvo yanga
yabvaruka.Ndakasara ndakapfeka
verse mukati.

"Ndiperekedze kumapurisa munhu


andishungurudza ,ndakamuramba
akuramba achida kundinetsa"

"Sorry uyu musiyire kwandiri


ndopedzera naye tisu maghetto
Kings acho"

Ndakasiya Nassey pagate pavo


ndikabva ndatora number
dzake.Nassey akaenda nehembe
yangu apa yanga iri
nyowani.Ndasvika kumba ndichifara
zvekuti vanhu vepamba vakashaya
kuti chii chaitika.Ndakafonera
Tatenda ndikamuudza Henry
akarambwa.

Nassey ndakataura naye manheru


kusvika kuma2am.Ndakazomutswa
naTatenda anga auya achiti tibaye
kugraft ndakasvotwa nekuti ndanga
ndichiri kunzwa hope.

"Nhasi handisi kuenda"

"Why unoziva nhasi taigona kuita


mari kwatiri kunoshandira tinogona
kubva nema$25Us nekuti munhu
iyeye bag riripo"

"Basa iri harisi rezera redu musana


wangu wakurwadza"

"Musana chete here izvo zvishoma


handei topfuura nepaden pangu
ndichikupa mushonga
wemusana"said Tatenda.

"Haa iwe wakauwanepi"

Ndakachinja ndikapfeka rimwe


ziverse rangu raiva zihombe neshort
yakachekwa kuzasi.Ndaipfeka
zvakashata nekuti kubasa kwedu
kwaisada hembe dzakanaka.Ukada
kunzi unochena unotsakadza hembe
dzako.Takapfuura nepamba
paTatenda akandipa kamwe kamuti
kandanzi nditsenge apa kaivava.

"Saka ukuti kamuti aka kanosimbisa


musana"

"Ehe asi une doubt here"

Handina kupedza kese ndakabva


ndakaisa mukabag kandanga
ndakabereka.Ndakabva ndatanga
kutaurira zvese zvakaitika manheru
acho pakati paNassey
naHenry.Takaswera kugraft kwedu
tichishanda tikabvako zuva rava
kuda kuvira.Ndaifara nekuti mari
yangu yawanda $45US pamwe
chete.

Ndakasvika kugeza ndikabva


ndarara nekuti ndanga
ndaneta.Gogo vakauya muroom
mangu ndaiona kunga vaida kutaura
chinhu asi vaishaya pekutangira.

"Gogo asi pane zvamuri kuda


kutaura here"

"Ndaida kubvunza kuti uri


kushandepi"
"Kumajecha"

"Kunoitwa nezvei kumajecha


kwacho"Vakabvunza
gogo.Ndakavaudza zvatinoita
kubasa.

"Hiii basa iri rinorwadza muzukuru"

Takambotaura vakabva vaenda


kunorara.Ndichimuka ndakageza
ndikaenda kwana Tatenda zuva iri
taisaenda kubasa.Ndaida kuona
Nassey ndakamufonera kuti abude
gate akaramba.Ndakapera power
kuti musikana uyu akuda
kumbozama
kudii.Ndakazomutaimira pakauya
kulesson.

"Nassey why waramba kuuya time


dzandati tisangane"

"Ndanga ndiri busy plus zvaisaita


ndibude" kaitaura kakatarisa pasi.

"Nassey unoziva kuti ndokuda


ndosaka uchidaro"
"Aaah malessons atanga
ndakuenda"

Kakabva kamhanya kupinda


mulesson.Ndakatoti uyu
ndomumirira chete ndipo
pandakaona pachisvika imwe mota
anga ari Henry.Iye haana kundiziva
ndakazviona hangu.Lesson racho
rakapera ndikatora Nassey.

"Kingsley tell me chii chawakachiwa


pandiri, uri player unongotambisa
vasikana ndizvo zvaukuda kundiita
usafunga handisi kuzviziva,manje ini
ndakasiya naSasha" kakadaro
kakatarisa kuside.

Mwana uyu akuda kuoma musoro


inga ndiye akatanga kunditi ndiri
crush yake asi aijoka.Akamboti
anondida asi zviri impossible kuti
tidanane ndakushaya kuti chava chii
futi.Ndakaziva kuti ndiMrs Holy Anna
vaita mabasa ese aya kuti
ndirambwe.Anna wacho akabva
atosvika vakatorana vakarova
pasi.Henry ndakaona akanditarisa
akabva auya pandiri.
"Ndiwe wakandirova nezuro
manheru"

"Wafunga kuita sei"ndakabvunza.

"Stay away from Nassey nekuti


unofira mahara unonzwisa tsitsi
mupfana dai kari kangu
ndakupedzera"

Haana kuda kumirira mhinduro


yangu akabva atanga kufamba
achienda kumota.Kubva kare kangu
ndaisatya munhu.Asi kungoti
ndaisada zvinhu zvenoise.Ndaida
kutsvaga kumboona kuti Henry uyu
anomboita nezvei.Ndakaenda
pamba pana Tatenda ndikamuona
ndikamuudza mashura andanga
ndasangana nawo.

"Nassey anokuda asi Anna ndiye ari


kukonzera urambwe, Anna ane
dzungu rinobhowa nxaa uya mira
ndoda kumudzidzisa lesson
yasingafi akakanganwa"

"Lesson rei iroro asi wafunga


zvekurepa here nhai"ndakabvunza
ndichiseka.
"Aiwa asi uchaona hako
kachadzikama shuwa munhu
angafambisa shoko rekuti ndine
edzi"

"Vasikana hauvazive here"

Mazuva akafamba Xmas yanga


yava pedyo.NaNassey pafoni
taitaura asi face to face aindiita
coward.Ndakazoona rimwe zuva
achibuda mune imwe mota yanga
yakanaka.Mukabuda umwe
mkomana ndakanzwa godo
richindigara pahuro.Tatenda
akazviona akaseka hake.

"Ndazozviona kuti kahure aka


kanonyepera kudzikama nxaaa"

"Kingsley usamhanyisa pfungwa


anogona ari mkoma vake hausi
kuona vane kakufanana here"

"Iwewe pese unongoenda side


raNassey ,kahure saka kuuya
nemkomana uyu pamberi pangu kuti
zvidii kuda kundirwadzisa
kundidzikisira nekuti handinawo
mota"

"Unozvipa wega BP saka munhu


otadza kufamba namkoma vake
here"said Tate.

Nassey aida kuzviita kunga


akanyanya ndoda kumuratidza kuti
hausi wega musikana.Ndaiziva
achauya kulesson zuva rava
kuvira.Ndakafonera Sasha akatanga
kupopota achindituka.Ndakamusofta
akadzikama ndikati huya kumaraini
kwangu haana kupikisa.Kakauya
kakachena zvekuti
ndakambomedzera
mate.Ndakaenda naSasha paroad
panofambira Nassey kuenda
kulesson.Nassey ndakamuona
akuuya achifamba naAnna.Sasha
akazviona akabva andipa kiss ipapo
ipapo izvi hazvisizvo zvandaida.Asi
ndakangoita zviripo ndakavhura
kaziso ndikatarisa Nassey ndikaona
akufambisa kunopinda mulesson.

Tafamba zvedu neroad naSasha


achiita kufara.Dai aiziva kuti andina
basa naye aisiyana
neni.Takazoparadza akuenda
kumba asi mwana uyu ndaifana
kumurova zvinhu kekupedzisira
ndobva ndasiyana naye zvachose.

Ndakaenda kumba ndikasvika kuona


mota yadad yavapo.Kuseri kwemota
ndakanzwa kunga kune vanhu
vaitaura.Ndakanzwa riri voice
ragogo nadad.

"Mwana akufana kuziva chokwadi


chakaitika inini moyo wangu
unorwadza kuchengeta zvinhu
zvakadai"

"Mhai nyaya iyi ndakati siyai


ndichaitaura ndega"
"Kingisiri muzukuru wangu ndomuda
asi anofana kuzviziva unoda kusvika
rini nesikireti iyi, Ba Kingisiri nhasi
ukasaudza mwana ndoda kumuudza
ndega"

"Munoona zvichiita here mhai,


Kingsley ndichawana maudziro
andichamuita but kwete izvozvi"

Ndakabva ndabudikira vese vakabva


vanditarisa....
*#Drop your comments#*

WATCH OUT FOR CHAPTER 15


*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 15*

*Nacistacia*

"Ko ihembe yaani yauri wakarara


wakapfeka"vakabvunza
mhamha.Yaiva hembe yaKingsley
yaakandipa day rakabvarurwa
hembe yangu naHenry.

"Ndakaitenga kumusika uko


ndakangoifarira"

"Hooo mkoma vako vari kuuya


mangwana"said mhamha.

Mhamha vachibuda ndakaenda


paApp ndikaona Kingsley andiisira
mamessages hobho.Takatanga
kutaura kusvika ndabatwa nehope
ndiri pachat rake.Ndakanonoka
kumuka ndakazomutswa namhamha
vatopedza kuita basa rese.Havana
kumbobvunza havo dai
vakandibvunza ndaingoti
ndakanonoka kurara
ndichiverenga.Anna akazosvikawo
masikati apa kwaipisa sei.

"Sahwira uri sei"ndakadaro.

"Iiih wakaoma Nassey wakandi


ignowa paApp apa waiva online
hako"
"Aaah sorry ndaisava online
ndakangosiya foni iri online"
ndakanyepa ndichidaro.

"I know waitaura naKingsley,


ndozviziva unomuda ndakazviona
hangu asi pliz usamuratidza kuti
unomuda, mkomana ukamuratidza
kuti unomuda anokuitisa anofana
kukuwana atambura kana
achinyatsa kukuda"

"Haazonditsamwire here"

"Nassey zvekutsamwa kwake


hazvina basa kana achikuda
anofana kusunga dzisimbe kwete
zvekuramwa ramwa"

Zvakataura Anna ndakazvifarira


aitaura chokwadi.Asi ko King wacho
akaramwa akabva atosiyana neni
zvachose.Chero zvezvaita takaenda
kulesson.King akada kumbotaura
neni ndikamuudza zvaanga asina
kutarisira.Akangosara akabata
muromo.

Mkoma vangu Dumie akauya


manheru ndakafara.Akauya nemota
yaidriver akango iparker panze
ndakashaya kuti
ndeyani.Takaburitsa zvinhu mumota
macho apa yairatidza kuti inyowani.

"Ko imota yaani iyi" vakabvunza


mhamha.

"Mhamha ngatipinde mumba


ndaneta ini" said Dumie achibata
mhamha kupinda navo mumba.

Ndakapinza zvinhu zvese


mumba.Ndakabva ndatobika chikafu
ndikapa mkoma vangu.
"Chindiudza imota yaani"

"Imota yangu"

"Wow hiiiiii shuwa here ko sei


musina kumbondiudzawo"
ndakadaro.

"Ndaida kuita kasurprise, ko


mhamha zvamusiri kufara asi
yakashata here"

"Mwanangu dai mari yawakatenga


nayo mota wakatenga stand yako,
uri kukura iwewe unoda kugara pano
nemkadzi wako here kana
wazoroora"said mhamha.

"Mhamha" akadaro Dumie.

"Ko basa rikanzi rapera usati waita


chine musoro unoita sei, shandisa
mari yako zvine musoro mwanangu
hakusi kukuvenga"

"Mhamha mashoko enyu


ndamanzwa ndakuvigirai hembe
mese naNassey"

Takapihwa hembe nezvimwe


zvanga zvatengwa.Zvanga zvisina
kunyanya kuwanda zvekudaro asi
mhamha ndakaona
vakufara.Vakudyawo mari
dzemwana wavo zvagara zvinofadza
uye zvinodadisa.Chandinodira
Dumie kubva pakatanga kushanda
haakanganwi mhamha mwedzi
nemwedzi aitumira mari.Asi
mhamha ndivo vaitomboti
usazvinetsa hako but
aisanzwa.Ndakatozviudza kuti
ndaisada kunyadzisa mai vangu
ndaida vazodyawo mari yangu.

"Mhamha ndiudzei chokwadi Nassey


hakana kumbokunetsai here"
akabvunza Dumie.Mhamha vakabva
vanditarisa.

"Haana hake but this time anga


akadzikira muzvidzidzo zvake enda
unotora report rako uratidze mkoma
vako" vakadaro
mhamha.Ndakasimuka ndikaenda
kunotora ndikavapa.

"Atleast zviri nani next term toda


maresult akapfuura apa, Nassey
uchiri mudiki chaizvo hausati
wasvika zera rekuita mkomana
ndangoti nditaure ndikakubata une
mkomana ooh ndinokurova, hakusi
kukuvenga asi takatarisa zvihombe
kubva kwauri"

Mhamha vakabva vatanga


kunyemwerera.Nyaya dzakadai
ndidzo dzavanodanwa
vachinzwa.Shavi ravi rikati rabata
vakabva vatanga kunditsiura vari 2
ndingori zii.Ndakazobatwa nehope
ndakagara pasofa
ipapo.Ndakazopepuka ndakarara
ndiri mubedroom
mamhamha.Ndakaziva ndivo vanga
vandisimudza ivo vanga vakatofa
nehope.
Makuseni ndakamuka ndichitsvaira
pachivanze.Ndikayeva mota
yamkoma vangu yanga yakanaka
zvayo.Ndakatozviudza kuti
ndikatanga kushanda
ndaizotengawo yangu.Ndakatora
foni yangu ndichida kuzvitora selfie
ndiri pamota, ndikaona King
pawallpaper pangu ndikatanga
kufunga pandakaona achikisana
naSasha.Ndakabvisa pic rake anga
andibhowa.Zuva iri Anna haana
kuuya akangoti tosangana
kumalesson.
Dumie akandiperekedza kulesson
ndikaona Kingsley aripo ndakaita
kunga ndisina kumuona.Ndikabata
ruoko rwaDumie ndaida
kumusvotesa.Mangwana acho ndipo
pandakazoona King achikisana
naSasha.Ndakapotsa ndachema asi
ndakazvidzora.Saka Kingsley anoda
Sasha why achindipfimba aine
musikana.Anondiona sehure
ndakabva ndatanga kuzvituka
pakumuudza kuti uri crush
yangu.Lesson racho hapana
zvakambopinda
mumusoro.Pandakasvika kumba
mom naDumie vanga vari busy
kutaura nyaya.

Mangwana acho ndakamukira


kuenda kumba kwana Anna.Aigara
natete vake vabereki vake handizive
vapenyu here nekuti handisati
ndambomunzwa achitaura
nezvavo.Ivo tete vake vaisanyanya
kubatika.Ndakapinda mumba
ndikagara pachair sezvo maiva
musina masofa.

"Nassey kutaura chokwadi handifari


kukuona wakasuwa kana
zvichinetsa ibva wangosiyana naye
Kingsley zvachose uite zvemabook
ungada munhu ane musikana here"

"I love him Anna hauzvinzwisise"


ndakadaro ndakuchema.

"Hauzvinzwisise Anna I don't know


why ndichimuda ndinombozama
kuviga mafeelings angu but
zvoramba"

"Nassey uchazopepuka wamitiswa


naye munhu uyu bvunza inini
ndomuziva uya akanzi ane edzi
handirambi"
Pasina nguva tinonzwa knock panze
tinoona ari Sasha.Tinobva tatarisana
naAnna takashaya kuti aidei sezvo
tanga tisingachawirirane naye.

"Sorry ndinozviziva mandivenga


ndauya kukumbira ruregerero"

Sasha akatanga kubudisa misodzi


zvekuti ndakagumisira ndakunzwa
tsitsi.Vakaregerana naAnna asi ini
ndakaramba ndiri zii hapana
zvandakataura.Pane zvarongwa
naSasha chete hakusi kukumbira
ruregerero kuri kwega.

"Sasha kutaura shuwa


ndakakuvenga handikwanise
kutamba newe, ndakasvika muri
vaviri muchitamba mese kusvika
kwangu ndiko kwakaita muvengani
sorry ndakutambira kure nemi
ndafara kuti makuwirirana"
ndakadaro ndikabva ndatobuda
Anna akandimisa.

"Nassey tofana kuwirirana tiri vatatu


hakuna asingatadzi tinofana
kuregererana"
Handina kumupindura ndakabva
ndatoenda kumba.Anna akabva
andifonera achiti Friday tiende
kubirthday party kwaSasha.Anna
ndakamuti usaenda kuparty ikoko
akaita nharo ndakasiyana
naye.Sasha uyu ndaisamunzwisisa
hangu.

*Anna*
"Anna taura naNassey auye kuparty
mangwana please"said Sasha.

"Why kuisa pressure yakadai asi


une zvawakaronga kani"

"Zvauri kufunga hazvisizvo ndoda


kungokuonaiwo pabirthday pangu
you two guys kana musipo
hapanakidze"

"Okay mira ndichazama kutaura


naye ari kuomesa musoro"
"Enda kumba kwavo unotaura naye
face to face"said Sasha.

Kubvira ndichikura handisati


ndamboenda kuparty apa
ndaisatoda asi ndaizviitira
kufadzawo Sasha.NaSasha
takatanga kutamba tese tiri maform
1 chero hake ane kahunhu
kaindibhowa.Asi kutaura chokwadi
ndanga ndakufarira Nassey.Asi
Nassey wacho aisanditerera
ndaisada kuti aite mistake yakaita
Sasha yekudanana naKingsley.King
ndomuziva musikana wadanana
naye anofana kurara
naye.Ndakaenda kumba kwana
Nassey ndikasvika kuona mkoma
vake vakagara pamota.Vanga
vakundiziva havo.

"Maswera sei"

"Aaah Anna uri sei hako"

"Ndiri nani ko Nassey aripo here"

"Arimo pinda mumba uyende


kuroom kwake unomuwana"
Ndakapinda ndikaenda kuroom
kwake ndikasvika ari
pafoni.Ndakatanga kutaura naye
aisatoda zvekuenda kuparty.

"Enda wega Anna ini handidi"

"Okay"

Ndakamusiya akadaro ndakaziva


nyaya yakarambira hake.Day reparty
rakasvika ndakaenda ndikapfeka
skin jean rangu.Vanhu vanga vasina
kunyanya kuwanda.Ndipo
pandakaona Kingsley naTatenda
vachisvika vakachena.

Ndakapinda muroom maSasha


ndikaona anga akachena.Takabuda
tikaenda kwaiva nevanhu.Party
yacho yakanakidza ndaingova
naSasha paside.Akazobuda
akanotora drink akandipa takagara
muroom make.Pandakapedza
kunwa drink riya ndakatanga
kunzwa dzungu.

"You bitch chii chawaisa mudrink "

"Hahaha hu sister holy hunopera


nhasi waifarisa naNassey wako
wakapusa nxaa"

Maziso angu anga asingachanyatsi


kuona mushe.Ndakaona
ndakubatwa batwa.Ndakabva
ndangoti zii ndakadaro...

*#Thanks nemacomments#*
Thanks ne airtym Pee Twin

WATCH OUT FOR CHAPTER 16

*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 16*

*Kingsley*

Pandakabudikura dad nagogo


vakabva vanditarisa vane
kakutya.Zvakandinetsawo kuti
isecret yavari kufana kundiudza.

"Wauya nguvai ndiri kureva wane


nguva yakareba sei wakamira ipapo"
said dad.

"Ndofunga ndane 30mins ndanzwa


zvamanga muchitaura " ndakadaro.

Gogo vakangonditarisa vakabva


vatarisa mudhara wangu.Ndaida kuti
secret iyoyo ndirare
ndakuiziva.Takapinda mumba
tikagara pamasofa munhu wese ari
zii.Mai Talia zvakatovanetsa kuti sei
vanhu vakanyarara.

"Ndokumbirawo kuti mundiudze


secret yamanga muchiti mukuda
kundiudza"

"Watadza kunzwa mushe apana


secret iripo"said dad.

"Dad munondiona sekamwana


kadiki nhai zvamanga muchitaura
panze ndazvinzwa zvese, gogo
ndiudzei"

"Nyaya iyi unofana kuudza nababa


vako nekuti ndivo vanoziva
zvakaitika" said Gogo vakatarisa
pasi.
"Imbori nyaya yei yatisiri
kuzivawo"vakabvunza Mai Talia.

Foni yamudhara yakapinda call


vakafonerwa kuti vaidiwa kugraft zve
emergance.Vakabva vabuda
ndakazama kuda kumbonyengerera
gogo asi vakaramba kutaura vachiti
uchaudzwa nababa
vako.Ndakambozama kufunga kuti
ingava secret yei asi apana
chandakawana.Ndakasiyana nazvo
asi nyaya iyi vakasandiudza ndaida
kutsvaga imbori nyaya yei.

Ndakafunga kubvira ndichikura


apana weukama kwakaberekwa
mhamha akambosvika
pamba.Munhu wandaiziva ndiMai
Jessy vanova munin'ina
wamhamha.Ava vakagumisira kuuya
kundiona ndichiri book 3 kubva
ipapo havana kuzombodzoka
ndakashaya kuti why.

Mudhara ndaiti ndikabvunza


kwakaberekerwa mhamha
vanochinja nyaya kana kundidaira
rough.Pfungwa yekuda kuona hama
dzamhamha ndaiva nayo asi
pekutangira ndipo pandisina.Kana
kubvunza kwavakavigirwa mai
vangu hapana aindiudza.Ndakarara
mangwana ndikamukira kuenda
kugraft kwedu naTatenda.

Takakurumidza kudzoka ndikaenda


kumba ndakasvika
nekugeza.Ndichipedza kugeza
ndakambotaura nagogo ndaida
kuzama kuvanyengerera vandiudze
secret yacho.Asi vakaramba vakati
havana chavanoziva panyaya
yacho.Ndakagumisira ndasiyana
nenyaya dzacho.

"Mkoma Kingsley ndokumbirawo $1


ndoda kutenga mapush"said Talia.

"Ndava kunzi mkoma nhasi handei


ndokutengera ini handina chitema
nemi"

Takabva tabuda tiri vatatu nakaTino


futi.Ndakavatengera mazep vese
nebhutsu dzanga
dzakanaka.Ndakabva ndasangana
naTatenda akamira naSasha.

"Wagona wauya tikudiwa kuparty"

"Ndakaneta ini handikwanise kuuya"


"Iriko Friday hatiendi kugraft"said
Tatenda.

Ndakadzoka kumba Talia naTino


vaifara.Mudhara vakazosvika
vakakurumidza kuenda kunorara
ndakaona vai avoida kuti
ndisavabvunze.Ndakanorara hangu
ndichifunga kuti ndichawina sei
Nassey.Ndakatoona kuti kuomesa
musoro kwaakuita ndiAnna
chete.Zvaireva ndaifana kuwirirana
naAnna.
Day reparty rakasvika takarova
mucheno.Talia akachemera kuda
kuendawo handina
kuramba.Takaenda tiri vatatu
naTatenda takasvika zuva rava
kuvira.Takanogara zvedu kune
mamwe machairs tiri vatatu.Party
yakazotanga vanhu vakafara
vanonwa mabeer vakanwa.Anna
ndakamuona asi Nassey
handina.Tatenda akabva pandiri
achiti ari kuenda kutoilet.Talia
akabva ateverawo.Ndakaenda
zvangu kune boys raita zvekugotcha
gotcha.Pasina nguva ndinoona Talia
achisvika pandiri achifemeruka.
"Mu..mu ko" haana kupedza kutaura
ainongedza kwaabva.

"Chii tell me"

"Sasha auraya Anna ndamuona


achiisa mushonga mudrink raAnna"

"What ko Tatenda aripi"

"Apinda muroom maiswa Sasha


ndofunga vakuda kumucheka
ndakutya"
Ndakarohwa nehana ndakaudza
Talia kuti andiperekedze kuroom
kwacho.Takasvika paroom pacho
kupinda kwakuona Tatenda ari busy
kubvisa pant raAnna.Tatenda
akabva anditarisa nerimwe ziso
rekuti buda muno.

"Kingsley naTalia budai muno


hamusi kuona ndine musikana
wangu here"

"Tatenda wakatanga rini kuda kuita


hutsinye unoziva here zvauri kuda
kuita zvokuendesa kujeri"
Talia nekutya akaenda akanomira
padoor.Ndakaona kuti Anna anga
aisirwa drug rekuti arare chete.Saka
zviri kureva kuti Tatenda akaronga
dhiri naSasha.

"King buda ndiri mumashure


menguva"

"Tatenda hakuna kwandoenda


regedza zvinhu zvauri kuda kuita"

"Uri kuzama kuda kudii iwewe"

"Hautonyari here unoda kurepa


mwana asina mhosva newe"
ndakadaro ndichienda paiva naAnna
ndikaona anga akatorara asi anga
chiri kufema hake.

"Kingsley ukuda kundiita munhu


akaipa here ndazokuona uri mumero
unenge unodawo Anna"

"Whatever zvawaita izvi


handizvifarire wanzwa here usada
kundibhowa"

"Haa go to hell wanzwa unofunga


ndokutya here" said Tatenda.
Ndakaenda paanga ari
ndikamupusha akadonha.Akabva
asimuka achindipa chibhakera
paside pemuromo.Ndakamupa head
pamhino akatanga kubuda
ropa.Ndakamurova bhutsu pakati
pemakumbo akabva anditema
newater glass rakatora patable lucky
rakanotema pagumbo asi
ndakakuvara ndipo pakapinda Talia
anzwa takurovana.Ndiye akasvika
kumisa fight.

Tatenda akabva abuda muroom


matanga tiri achienda mubathroom
kunogeza ropa rake.Ndakabvisa
hembe ndikatora verse ranga riri
mukati ndikasunga panga pagumbo
rangu paibuda ropa.

"Talia enda unotora mvura tidire


Anna uyu anogona kumuka but tora
inotonhora"

Kakabva kabuda Talia


kakakurumidza kudzoka kakadira
Anna mvura but haana
kumuka.Akabuda achienda
kunochera imwe.Anna akasara
achimuka achindiona anotanga
kuchema.Ndinomuona akuzvibata
bata anoona asisina bhurugwa
remukati.

"Kingsley waida kundirepa maronga


dhiri naSasha nxaaa ndoda
kukusungisa satan wemunhu"said
Anna achibva pabed.Ndipo
pakasvika Talia nemvura.

"Kingsley ndiwe munhu ari kuzofira


mujeri ndaisaziva kuti une moyo
wakaipa"said Anna.

"Aita sei Kingsley wacho"akabvunza


Talia.

"Iwe nyarara futseki musataura neni


varoyi maronga dhiri makawanda
regai Nassey arambe kuuya
atonyumwa kuti pane zvichada
kuitika pandikubva pano ndikuenda
kupolice mu chanotaura nyaya
yenyu kumapurisa" said Anna
achisimuka kubuda.

"Anna zvauri kufunga hazvisizvo


inini ndakubat......."

"Ndati uchazotaura nyaya yako


kumapurisa nxaaa" akabva
adhumhana naTatenda.

Anna akabva atobuda kuenda


ndakarwadziwa.Ndakashaya kuti
kumubatsira yava mhosva here.Ko
adii ambonzwa zvandinotaura haana
kundipa chance yekutaura.

"Mkoma don't worry ndatora mapics


patapinda tikaenda kumapurisa
kwacho tongovaratidza"said Talia.

"Ko une foni inotora mapikicha here


iwewe"

"Ndatora neyaMhamha hanty vane 2


here ndaisa line mufoni yavo iyi
nekuti ndaida kuzombozvitora
maselfie hangu but Anna ane
dzungu akutotiita vanhu vakaipa dai
takasiya karepwa nxaaa"

Ndakabva ndakapfeka hembe yangu


tikabuda asi Talia ndiye anga
akandibata kuti ndiwane
balance.Takasangana naSasha
papassage akaramba akanditarisa.

"Iwewe wakokwa nani pano"


akadaro Sasha achibvunza Talia.

"Sasha siyana nehanzvadzi yangu"

"Ano onererwa uyu"


"Tichasangana kumapurisa sezvo
ndiko kwaenda Anna"said Talia.

"Aah amuka nguvai kumapurisa


kunodii" akadaro Sasha ane kakutya
mukati.

Takamusiya akamira tikabuda


kunze.Lucky takawana kalift
kaiyenda kumaraini
kwedu.Takasvika kumba vanhu
vakapererwa kundiona
ndakuvara.Pandinovhura pachironda
paya panga pakuvara zvakanyanya.

"Ndosaka ndamboramba paya kuti


musaenda chitarisa wakuvara apana
zvekuita apa asi kutoenda
kuchipatara" said Mai Talia.

Vakatora makey emota yaDad


vakandiperekedza kuchipatara
manheru iwayo.Zvakada
kumbonetsa asi ndakabatsirwa
ndikadzoka kumba.Ndakabatidza
foni yangu ndikaona mamessages
ndichitukwa naNassey apa anga
atondiblocka.Ndakarwadziwa
ndakapotsa ndachema saka Anna
aimbozama kudii.Ndakademba dai
ndakamusiya achirepwa nekuti ane
dzungu.
Pasina nguva mota yemapurisa
yakasvika ina Anna.Talia neni
takabva tatorwa manheru iwayo
kuenda kukamba.Takasvika Sasha
atovako.Zvikanzi nyaya yacho
yaizotaurwa nezvayo mangwana
kwakachena takarara
takavharirwa.....

*#Thanks nemacomments#*
WATCH OUT FOR CHAPTER 17
*LAMP OF MY JOY*

https://chat.whatsapp.com/EANE8Ik
qGGQ9YM7aPHFHKq

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 17*

*Kingsley*

Manheru iwayo ndinoona vabereki


vaSasha vachisvika.Vanotaura
nemapurisa hatina kunzwa
zvavakataura.Sasha akabudiswa
akaenda kumba nevabereki
vavo.Mai Talia nadad vakasvikawo
vakada kuzama kutaura nemapurisa
asi havana kunzwisisa.Takarara
takavharirwa naTalia anga
akungochema.

Kuchiedza pakasvika mapurisa


vamwe, vaishanda panight vanga
vaenda kumba sezvo vanga
vachaisa.Anna akazosvikawo aine
umwe mkadzi anga akapfeka sun
hat nemaglass pamwe ndivo tete
vake.Sasha akazosvikawo pava
paya aina baba vake.

"Musikana iwewe ndiwe unonzi


Anna" akabvunza umwe mupurisa
wechikadzi.

"Ehe ndini"

"Okay ndokumbirawo vabereki


mumboenda panze ndoda kusara
nevanhu ava"said mupurisa
uya.Vabereki vakabuda zvavo.

"Anna taura zvakaitika"

"Ini naSasha taitamba tese kudhara


tikazopesana pakasv....."

"Musikana iwe usatipedzera time


ndine zvakawanda zvekuita handisi
kuda kunzwa nhoroondo
yehushamwari hwenyu taura
zvakaitika kuparty"

"Sasha akanditi ndiperekedzewo


kuroom kwangu ndoda kuno chinja
bhutsu dzangu hanzi dziri kurwadza
ndipo pakandipa drink pandakarinwa
ndakanzwa dzungu nekupera
simba.Akabva anditi husister holy
hwese hwakuzopera achindituka
ndakazongonzwa ndakubatwa ndipo
pandakabva ndati zii"

"Wapedza here"
"Umm pandakapepuka ndipo
pandakaona ndaiva ndisina chipfeko
chemukati ndikaona Kingsley
akagara pafloor asina hembe
kumusoro"

"Wati wakanzwa wakanzwa


wakubatwa wakaona chiso
chemunhu aikubata
here"akabvunza.

"Handina asi...." haana kupedza


Anna akabva amiswa.

"Chimbomira wakadaro Sasha pane


zvaunopikisa here pane zvataurwa
naSasha"

"Anna anga agara akandivenga


zvekuti drink ranga rine drug ndezve
kunyepa izvo pane zvataura
ndinopikisana nazvo"

"Une shuwa nezvauri kutaura here


nekuti ndikazobata uriwe une
mhosva unozodemba "

"Anonyepa akandiisira mushonga


chete uyu"said Anna.

"Une evidence here Anna"


"Kana ariwo matongero amunoita
nyaya akashata munoti ndaizoiwana
kupi ini ndaida kurepwa Sasha
naKingsley ava ngavarohwe
vanotaura chokwadi"

"Kingsley taura side rako tinzwe"

Ndakataura zvese zvakaitika apana


chandakasiya.Anna akabva
andidzvokora neziso
rekushamisika.Talia akabvunzwa
akataura zvake but zvaiva
zvakafanana nezvangu.Mupurisa
uya akabva abuda ameno
kwakaenda.Ndipo pandakaona Mai
Talia naGogo vachisvika.Tete
vaAnna ndakaona vasisipo time
dzakasvika vana Gogo.Mupurisa
uya akadzoka akabata shamhu.

"Ndine evidence mkoma vangu


havana mhosva"said Talia.

"Iripi evidence yacho"

Talia akabuda panze akapihwa foni


namai vake.Akatambidza mupurisa
uya ndakaona akuzunguza
musoro.Foni yakabva yapihwa Anna
ndakaona akuyeredza musodzi.Talia
akangwara akatora video
repandairwa naTatenda futi.Sasha
akapihwa imwe mbama yandisina
kunzwisisa.

"Ndinoda kudhila newe uchadzoka


muforo" said mupurisa uya.

Sasha akasiiwa isu tikanzi tibude


tichienda nemapurisa kwaigara
Tatenda.Anna anga akuchema
achitadza kutaura
akangonditarisa.Takasvika
tichiudzwa kuti Tatenda haapo hanzi
haana kurara pamba manheru
acho.Ndakatoziva kuti mkomana
atiza chete.Sasha akazosara ega
kumapurisa handizive
vakapedzerana sei.

Anna akazosvika pamba pedu


ndakaona gogo varamba
vakamutarisa kunga
vaimufananidza.

"Ibva pano muroyi vana vangu


vakarara mujeri nekuda kwako ibva
pano iwe hure"said Mai Talia
vachipopotera Anna.
"Mhamha sorry ndaisaziva
zvakaitika kungoti ndakatungamidza
hasha mberi I'm really sorry King
ndoshaya kuti ndokutenda sei
nekundi sevha kwawakaita mese
naTalia"

"Anna handikwanise kutaura newe


wakandiita benzi kundirarisa mujeri
wakandituka nemamwe mashoko
ekuti ndikamufunga ndorwadziwa"
ndakadaro.

Mai Talia vakabata Anna


vakamubudisa kunze kwegate
vakabva vakiya.Gogo panguva iyi
vanga vari zii waitoona kuti pfungwa
dzavo dzaiva kure.

"Ndatonyara Gogo VaTalia ava


kamwana aka ndingadai ndakarova"

"Mai Talia zvawaita zvakashata


pane pamwe pasingadi hasha,
vanhu vaifana kuita hasha apa
ndiTariya naKingisiri kwete iwewe"
vakadaro vakabva vapinda zvavo
mumba.

Mai Talia ndakaona vakatsamwa


nematauriro aita gogo.Gumbo rangu
rairwadza ndakapinda mumba Talia
akandibatsira kufamba.Ndakanwa
mapills angu ndikabva ndarara
ndakazomutswa naTalia kwasviba
achindipa chikafu.Ndakashaya kuti
Talia kundifarira kudai kwakanaka
here.Ndakadya akabva adzoka
muroom mangu vese naTino
vakatanga kutaura nyaya dzavo
tichiseka.Ndakanzwa kufarawo
kuwirirana nevana vababa
vangu.Vachingobuda ndakabva
ndarova kashort prayer kangu.

*"Baba ndibatsirireiwo ndigone


kukunamatai zvinonetsa
zvakawanda asi ndipei
kukunda.Ndipei moyo murefu
pofomadzai meso angu ndirege
kuona zvinondidzimba
moyo.Ndipeiwo meso emweya
mutsvene ndigone kupatsanisa
chakanaka nechakaipa.Amen"*

"Amen" said dad vangu vakamira


padoor.

"Maswera sei"

"Ndaswera bhoo ko wava sei"


" Ndiri nani but dad can you do me a
favour"

"Yei"

"Ndokumbirawo number dzamainini


mai Jessy"ndakadaro dad
vakaramba vakanyarara.

"Umm handisisina ndichakutsvagira"

"Okay but why musingadi ndizivane


nehama dzamhamha"

"Dai vaikuda vangadai vachiuya


kukuona" said dad.

"Asi mhamha vaisatorwa mapikicha


kani I wish kumboonawo pikicha
ravo zvondirwadza ndakakura
ndisingavazive vakafa ndichiri
mudiki"

"Hama dzamai vako dzakatora


mapictures amai vako vese"

"Ko vakatora ne epamuchato futi


here"

"Kingsley good night" said Dad


vatodhiniwa.
Vakabuda vakaita zvekurovera door
rangu ndakashaya kuti chii
chandatadza.Ndakangoti pamwe
ndamufungidzisa mkadzi wake regai
atsamwe.

Mazuva akafamba ndichiswera ndiri


pamba.Ndanga ndava nani Tatenda
haana kuzombobatika ameno
akatizira kupi.Asi Nassey
ndaimbomufunga asi ndaiti
ndikafunga pakandituka nenyaya
yaAnna ndaibva ndaramwa.Anga
andi unblocker but ndanga
ndisingataure naye.Aindiisa pastatus
achiti sorry Kingsley.

Ndakazosangana naAnna aina


Nassey vachifamba zvavo ameno
kwaiyendwa.Ndakavapfuura ndisina
kuvamhoresa asi Anna
akazondimisa.

"Kingsley venga hako inini plizz ndini


ndakabhaiza vaviri imi ndakaona
hana dzenyu dzoroverana regai
ndikupei space" said Anna akabva
atoenda.

"I'm sorry nekukutuka kwandakaita


eish"

"Okay no problem babe" ndakadaro


anga akatarisa pasi.

"Saka wandiregerawo here"

"Ndotadza nei kuregerera munhu


wandoda"

"Aah hanty unodanana naSasha"

"Sasha handina kubvira ndamuda


inga ndakambokuudza"

"Ungazoti chii"
"Nassey"

"King"

"I love you"

"Ndoziva sei kuti unondida King"

"Nassey ndiwe munhu one


akaroverwa nehana yangu
ndakatanga kukuda day
randakakuona rawakadonha
muclass medu, I really love you"

"I love you too" kakadaro kakatarisa


pasi.Ndakafara ndaida kukapa kiss
but kakaita kunga kakanyumwa
kakatarisa pasi.Ndakangomupa hug
chete.Ndipo pakazodzoka Anna apa
kaNassey kanga kakunyara nyara.

"King sorry nezvandakaita nanhasi


ndinozvituka uye ndonzwa kunyara"

"Zvakapera Anna "

"Ummm Nassey kuti zii hanziii"said


Anna.

"Tsek wako Anna"


Ndainzwa kuda kukapa kiss
kaNassey but zvaisata nekuti panga
pana Nassey.Twakabva
twaenderera mberi
nerwendo.Ndakasvika kumba
ndichifara zvisingaite.

Takatanga kupisa rudo naNassey


kamwana aka ndaikada nemoyo
wese.Tainonoka kurara tichitaura
paApp.Rimwe zuva Nassey
akandiudza kuti Anna airwara saka
aida kunomuona ndikati toenda tese.

Takaonana tikabva tatora road


yekumba kwana Anna.Takasvika
kuknocka padoor pavo rikavhurwa
neumwe mkadzi anga akapfeka
maglass akavhara mhino
nejira.Mkadzi uyu aisada kuonekwa
face yake kani nekuti pakauya
kumapurisa kuya anga
akangozvivhara futi.Akaramba
akanditarisa mkadzi uya zvekuti
ndakatonetseka kuti asi haana
kundifarira pamba pavo.

Takaenda kuroom kwaAnna anga


akatorara.Akamuka pakaona
Nassey vakatanga kutaura.
"Kingsley ava nditete vangu ndivo
mom vangu ndivo baba vangu
ndingatoti she is my everything, tete
uyu ndiye King wandakakuudzai
nezvake"said Anna.

Takakwazisana vakabva vabuda


vachitisiya.Asi havana kutaura
ndakangoti pamwe chimumumu.

"Asi havataure here"

"Umm vanotaura but apa


ndatoshaya sei vasina kukudaira
ndichavabvunza hangu don't worry
vari friendly"said Anna.
"Yaa shuwa ndinovafarira hangu
vane nyaya dzonakidza apa she is
so beautiful ndoshaya why
vachizvivhara kumeso"said Nassey
akanditarisa.

Anna akasimuka pabed tikaenda


panze.Ndakati rega ndimbosiya
vasikana ava vambotaura nyaya
dzavo.Ndakatenderera ndichiona
imba yana Anna yanga isati
yanyatsa kupera
kuvakwa.Ndakaenda kuseri
ndikaona.....
*#thanks nemacomments#*

Thanks Melo ne artym

WATCH OUT FOR CHAPTER 18


*LAMP OF MY JOY*

https://chat.whatsapp.com/EANE8Ik
qGGQ9YM7aPHFHKq

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 19*

*Kingsley*
Ko why tete vaAnna vaisandipindura
pandaizama kuda kutaura navo.Asi
Anna akati anotaura kuti haana
kundinyepera.Chiri kunyanya
kunditenderedza brain ndechekuti
pandakaenda kuseri kwemba yavo
ndakasvika kuona
vachichema.Pavakandiona
vakangonditarisa kwakupukuta
misodzi yavo vakabva vanditarisa
mumaziso asi chiso chavo
ndaisanyatsa kuchiona sezvo vanga
vakazvivhara.
Tete ava ndaida kutaura navo paina
Anna.Ndaifuzvifunga ndakagara
zvangu pasofa.Gogo vakabva
vapindawo vakagara paside pangu.

"Kingisiri uri kufungei kubva wabata


shaya kudaro"

"Zvehupenyu zvinopera here gogo"


ndakadaro.

"Chiii chiri kunetsa"

"Pamba pano apana anondifarira


ndakazviona shuwa kukura
ndisingazive kana mai vangu ndoda
kuona pic ravo chero vakafa
mondiratidza pane guva ravo"
pandakadaro gogo vakabva vatarisa
pasi avana kupindura.

"Gogo munonyepera kundifarira


musingandide muchinyepa kuti hee
mai vako vanga vane moyo
wakanaka ndiratidzei picture ravo
neguva ravo" ndakadaro
nehasha.Mai Talia vakabva vapinda
kugarawo pasofa.

"Ko chiii chiri kumbotika


pano"vakabvunza Mai Talia.
"Mai Talia ndoda kubvunza"
ndakadaro.

"Mai vangu maivaziva here"

"Ummm why wabvunza inini"said


Mai Talia vakavhura ziso.

"Pindurai zvandabvunza"

"Ehe mai vako ndaivaziva


kungovaona chete"

"Mune pikicha ravo here"

"Handina asi baba nagogo vako


vanawo asi hauvazive here"
vakadaro Mai Talia ndakaona Gogo
vatarisa mai Talia nerimwe ziso.

"Vakafa ndichiri mudiki ndikuda


kuona pikicha ravo kana pane guva
ravo"

"Mira ndinotora ndikuziva pakaiswa


nadad vako" vakadaro vachisimuka.

"Mai Talia usapindire nyaya


dzausingazive wanzwa here wadii
kusiya azoratidzwa nababa vake"

"Endai munotora mom ,gogo ava


musavatevedzera"

"Gogo vaKing mwana anofana


kuziva mai vake, pakavigirwa mai
vako handipazive hangu"

Vakabva vatoenda mubedroom


vakatora nguva yakareba vasati
vadzoka.Vakazodzoka face
yakapusa pusa.

"Handina kumaona anenge


akabviswa"

"Okay"
Ndakabva ndatobuda ndakananga
kumba kwana Anna.Ndakasvika
kunocka Anna akavhura door
ndikaona umwe mkadzi anga
akagara naNassey.Mkadzi uya
achindiona anosimuka achida
kufamba kuenda kubedroom kwake
asi anobva atsvedza kwakudonha.

"Aaah tete" akadaidzira Anna


achimhanya kwadonha tete
vake.Ndakabva ndaziva ndivo tete
vake vekuzvivhara kumeso.Vanga
vakanaka zvavo ndakashaya sei
vaizvivhara.
Anna naNassey vakasimudza tete
vakavagarisa pachair.Nassey
akamhanya kutora mvura
kwakuvatova pagumbo ravo ranga
rakuvara.

"Tete hamuna kukuvara here"


akabvunza Anna.

"Handina rega ndiende kuroom


kwangu ndiri bhoo ini"

"Asi tete chii kusvika kwaita Kingsley


manga makuda kutiza mukadonha
paya makamu ignowa futi
akakutadzirei" akabvunza Anna.Tete
vake vakaramba vakanyarara
vakanditarisa.

"Tete kani ndipindureiwo"said Anna


akuita kunga akuda kuchema.

"Handina munhu wandakavenga asi


kuti ndinenge ndichikupa mukana
wekuti utaure neshamwari
dzako"said tete vaAnna.

"Don't worry henyu regai ndiende


hangu mungatoshaya mufaro
nekuda kwangu" ndakadaro.Ndanga
ndaona havandifarire pese apa
ndaiti havataure ivo vachitauta havo.

"Kingsley ndinokufarira wakasevha


mwana wangu Anna uyu kubhinya
riya kungoti moyo wangu unorw....."
havana kupedza maziso avo
atojenga misodzi.Vakabva
vatosimuka kuenda mune imwe
room.Anna akatevera akanoita
kanguva ariko.Akazodzoka ega akati
tete vake varara hanzi vakurwara
nemusoro.

"Kingsley tell me iwewe natete


vangu makamboonana here or
mozivana"

"No ndovazivirepi ini"

"Saka why vakakuona vanochema


votanga kurwadziwa nemusoro"

"Umm sorry handina kuziva kuti


ndozvinoitika handichasvike pano"

"Handina kuti usasvike pano ini


ndokufarira"

Handina kugarisa ndakabva


ndabuda Nassey
akateverawo.Takatanga kutaura
nyaya nekamunhu kangu ndanga
ndakasuwa.

"Kingsley"

"Nacistacia"

"I love you"

"I love you yoo Nassey"

"Promise kuti hauzondisiye wawana


umwe"

"Ndiwe ungatondisiya"
"Okay ndiperekedze uko ndine
zvandatumwa namom"

Takaenda zvedu kwaanga ataura


akaknocka pagate rimwe.Akataura
namai vepo ndakatarisa panext
pacho ndakaona
Hilda.Ndakaendapo ndikaona
achigezesa kamwana kake.

"Kingsley" said Hilda.

"Ndiko kamwana kako here"

"Yes I'm sorry ndakakurwadzisa


handina kuita ndichida kutaura
chokwadi uchiri pamoyo pangu"said
Hilda.

"Handidi kunzwa ma explanation


ako wakaroorwa ita zvemurume
wako"

"Ndakadhakwiswa ndikararwa
ndakadhakwa ndingatoti
ndakarepwa nekuti hatina
kubvumirana"

KaNassey kakabva kauya pandiri


kakamira paside pangu.Hilda
akatarisa Nassey kubva kumusoro
kusvika kutsoka.
"Daddy ndanga ndafunga manditiza
but hazvisi fair wandisiya ndega"
said Nassey.

"Babe paya ndaona wanga wabusy"

Ndinoona Hilda abata Nassy colla


ndinoshaya chii chava kuitika.

"Musikana iwewe uri hure ndiwe


waidanana nemurume wangu nxaaa
aisarara pano iwe unaye ndoda
kumbokuzvambaradza ugoziva
varume vevanhu havatambwi navo"
said Hilda.
"Murume wenyu upi iyeye
handidanane nevarume vevanhu ini"

"Usanyepera kuvhiringika iwe hure


mira nhasi uchataura"

"Hilda leave my girl alone otherwise


ndinokurova" ndakadaro.

"King wakapusa nyarara uri kuitiswa


musikana uyu ihure anodanana
nemurume wangu ndaimuvhima
hangu mira ndikuratidze pic racho"
"Hure ndiwe wakandi cheater
ukamitiswa nxaa go to hell gara
nemapikicha ako" ndakabata ruoko
Nassey ruoko takuda kufamba.Hilda
anobata hembe yaNassey
zveukasha.

"Hilda ndinokumamisa usafunga


ndichiri kukuda wanzwa"

"King ini handisi kuda kunetsana


newe ndoda kurova hure iri"

"Mai imi ndisiyei handide


zvepamuromo nemi" akadaro.
Hilda akabva arova Nassey mbama
ndipo pandakanzwa
hasha.Ndakamupa imwe mbama
akadonhera mudish maiva nemwana
wake.Akasara achichema ndikatora
Nassey tikabva taenda.Mumusoro
ndainetseka kuti ishuwa here kuti
Nassey anodanana nemurume
waHilda.Murume wacho ndiani ipapo
ndakapashaya.

"Nassey ndipe foni yako" ndakadaro


akabva andipa.Ndakaona ine
password akati nyora zita
rako.Pawallpaper pacho paiva nepic
rangu.Ndakaenda kumachats epa
App andina chandakaona zvese
nekumatext saka Hilda anonyepa
nhai.

Nassey anga ava zii ndakaona anga


akatsamwa.Ndakatanga kutaura
naye.

"King you don't trust me ndazviona


hangu dai ndisina foni dai wabvuma
kuti zvaitaura ex ichokwadi ka"

"Aiwa Nassey haisiyo nyaya yacho"

"Saka inyaya yei"


"Babe ndine jealous ndanga
ndakufunga kuti pane munhu akuda
kunditorera munhu wangu"

"Hooo"

"Yes ndoda tipfuure nepaden pangu


pane zvandikuda kutora"

"Aaah kunodii ko ukanditukisa namai


vako"

"Havana pressure ava"

"Aaah ndovatya ini hanzi na Anna


ndakatukwa navo" said Nassey.
"Hapana zvavanokuita"

Takaenda kumba kwedu Nassey


akaramba kupinda akasara kunze
kwegate.Ndakapinda ndikatora
watch iya.Ndakabuda panze
ndikaona gogo
vakunditevera.Ndakasvika
kupfekedza watch iya Nassey
kakafara.Masimairi acho akabuda
aisvika kugotsi.

"Makasimba here gogo" said Nassey


achimhoresa gogo.
"Ndakasimba uri sei muzukuru"

"Ndiri nani"

"Asi ndiwe ukufambidzana


nemuzukuru wangu
kani"vakabvunza Gogo.Nassey
akanyara kupindura akaramba
akanyarara.

"Usanditya hako ndazviona hangu


munofambidzana asi muchiri vana
vadiki tangai magadzira
ramangwana renyu kuti vana venyu
vasazotambura"
Vakabva vatoenda ameno
vaiyendepi.Gogo vanoda kuzviita
munhu kwaye ndanga
ndakuvavenga vese
namudhara.Shuwa vanondirambidza
kundiudza kune guva ramai
vangu.Ndakaperekedza Nassey
kusvika kumaraini kwavo.Ndaida
kukapa kiss but zvisaita
hazvo.Ndakangokapa hug ndipo
pakasvika mkoma vake....

*#Drop your comments#*


Thanks Linda ne airtym

WATCH OUT FOR CHAPTER 20


*LAMP OF MY JOY*

https://chat.whatsapp.com/EANE8Ik
qGGQ9YM7aPHFHKq

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 18*

*Nacistacia*

Pakapinda message yaibva kuna


Anna achiti Kingsley aida
kumurepa.Ndakatadza kuzvitenda
ndakafunga kuti atadza kunyora
pamwe aida kuti Tatenda.Ndakabva
ndamufonera Anna akabva atanga
kuchema achiti Kingsley ,Sasha
naTalia varonga
dhiri.Ndakarwadziwa nekunzwa
hasha ndakabva ndatuka Kingsley
nekumublocka.

Ndakurara ndikazofunga ndaitei ko


Anna achinyepa.Sasha naKingsley
vaidanana how come kuti Kingsley
azoda kurepa Anna.Ndakazama
kuda kubatanidza nyaya
dzacho.Mangwana masikati ndipo
pakazouya Anna kumba
kwedu.Mhamha naDumie vanga
vapinda mutown.

"Nassey ndiri kunzwa kunyara


nekuzvituka ndichatarisana
naKingsley sei"

"But Anna ini ndine mubvunzo


kufunga kwako unoona zvichiita
here Sasha aronge kuti mkomana
wake King akurepe umm hazviite
pane zvakaitika chete apa"
ndakadaro.

"Uri right hako waratidza kufunga ini


zvese izvi handina kuzvifunga
ndakatungamidza hasha mberi
tabva kumapurisa Kingsley
akandisevha akakuvara nekuda
kwangu, akasarudza kurwisana
neshamwari yake yakakura nayo
nekuda kwangu ndiri kunyara
kunotaura naye"said Anna
achichema.

Pandakanzwa izvi ndakapererwa


nekuti ndanga ndatukawo King
ndikamublocka.Asi Anna
zvanomboitawo futi kutaura
chokwadi ndakatsamwa asi handina
kuda kumuratidza.Anna akabva
atoenda kumba kwavo.

Ndaka unblocker King ndikamuwana


ari online ndikamuisira mamessages
haana kupindura.Ndakaisa picture
rake pastatus ndichikumbira
ruregerero.Ndiye akatanga kuvhura
status yangu asi haana
kupindura.Ndakambomusiya
akadaro pamwe
achakatsamwa.Ndakatanga
kuchema why King achindi ignowa
inga ndikukumbira ruregerero.

"Nacistacia uri kuchemei"


vakabvunza mkoma vangu.Hameno
vanga vasvika nguvai.

"I miss him bro"ndakadaro


ndakutochema.

"Even me ndavasuwa but be strong


mhamha vanozoita sei vakakuona
uchichema unenge wakuvadzimbira
maronda akupora" said
Dumie.Aifunga ndaitaura dad asiri
kuziva kuti ndiri kureva King.

Ndakaenda kumalesson manheru


ndikaona Anna ariko.Tapedza
malesson Anna akauya kutaura
neni.

"King ane moyo wakanaka unofana


kumupawo chance"

"Ndomupa chance sei iye asiri


kutaura neni"

"Don't worry ndichataura naye"

Takagumisira tachinja nyaya asi


ndakaona kuti Anna anga akufarira
King.Waingonzwa zvakunzi dai
Mwari vamukomborera ane moyo
wakanaka.Ndakagumisira
ndakunzwa jealous asi
ndaisazviratidza.Mangwana Anna
akauya kumba akati timbofamba
ndakada kuramba asi munhu wacho
ane nharo.Takabva taenda
kumaraini kwana King takabva
tasangana naye.

Ndakafara kumuona akabva akanda


shoko hake.Ndakada kumboramba
kwete ndaisamuda asi ndaida kuona
kuti anondida zvemashuwa here.Asi
ndakazofunga marumbidzirwo anga
akuitwa naAnna ndikabva
ndamubvuma.Ndanga ndakutya
kutorerwa kuti chokwadi King
ndakatanga kumuda day
randakatanga kumuona but zvaisaita
kutaura
semusikana.Ndakatoshamisika
kunzwa achindiudzawo kuti
akatanga kundida day
randakadonha pamberi pake.

Anna akakurumidza kudzoka apa


ndanga ndichiri kuda kutaura
naKing.Takaenda ndichifara
masimairi achisvika kugotsi.Anna
akazviona hake akaseka.

"Umwe munhu anyura murudo


mkomana uyu ari bhoo
ndaimuvenga hangu asi ane moyo
wangu"said Anna.Ndanga
ndakunzwa jealous
zvekurumbidzirwa mkomana wangu
ndizvo zvandaisada.

Takasvika pamba Dumie akagara


mumota make.Achitiona anobuda
otanga kutaura nesu.

"Nhasi Nassey uri kutaurisa chii


chamaona kwamabva"

"Aaah ndizvo zvandiri wani"


Ndakapinda mumba ndikasiya Anna
naDumie panze.Ndakatora foni
yangu ndikatanga kutaura
naKing.Rudo rwakatanga kutsva
Anna naDumie vakazopinda ndiri
kutaura nemudiwa wangu.Dumie
akangonditarisa haana zvakataura
akabva aenda kuroom kwake.

Mazuva akafamba Anna


akazondiudza kuti aisanzwa
mushe.Takaenda kumba kwavo
tese.Tete vake vanga vakundiziva
vaindifarira.Tete vake vanga
vakanaka but ndaishaya why
vaizvivhara nemucheka
kumeso.Takabuda kugara panze
naAnna tichitaura nyaya ameno King
akafamba kuendepi.

"Anna ndiri kufara ndakazowana


mudiwa wangu chaiye chaiye I really
love kingsley"

"Zvakanaka but plizz usafa


wakamuvhurira gumbo kana
kubvuma kuti akubate nekuti
ukangobvuma akubate uchakurirwa
nemafeelings"

"Anondi respect uyu haasati


ambondi bata kana kundipa kiss"

"Ko aendepi"

"Mira ndimutevere"

Ndakatevera kuseri kwemba


ndikaona akamira natete
vaAnna.Vanga vakangotarisana
pasina aitaura neumwe.Tete vaAnna
vakabva vapinda mumba.

"Nassey asi tete ava havataure here


ndazama kuda kutaura navo asi
havana kumbondipindura"
"Vanotaura I think pane zviri
kuvanetsa but vari friendly mazuva
apera ayo vaindiudza nyaya guess
she is so beautiful"

Ndakaona King pfungwa dzake


dzanga dzisisiri pamba
apa.Ndakashaya kuti why tete
vaAnna vasina
kumufarira.Takakurumidza kubva
pamba pavo.Muroad ndaingoudzwa
nyaya.

"I love you from my head to my toes"


said King.

"I love you too Kingsley"

"Amana ndidanewo nezita rimwe"

"Aah ripi hanty izita rako here"

"Sweetheart ukuziva zvandikureva


masweet names"said King
akanditarisa.

"Daddy"

"Yess that's my love"


Zuva iri ndakaswera ndina Kingsley
kusvika kwakuda kusviba.Ndaida
kumhanyira kulessons.Kingsley
akandibata akabva atanga
kundikissa zvandakanzwa
ipapo.Ndakanyatsa kuona naHenry
apana zvataiita apa ndazopinda
murudo.King akazondisiya
ndakunyara ndikaenda kumba
kunotora mabook kuti ndiyende
kulesson.

Ndakaita lesson ndichifara ,mazuva


aya ndanga ndakugara ndichifara
zvekuti mhamha naDumie
zvakatovanetsa.Foni yangu ndanga
ndatoisa password zita
raKingsley.Ndamuisa pawallpaper
pefoni yangu futi.

Mazuva akapinda Xmas ikaitwa


tanga tamirira kupinda mugore
idzva.NaKingsley tanga tisingachadi
kusiyana ndaimuona everyday
pandobuda mulesson.

"You are the lamp of my joy King"


ndakadaro.

"Umm really babe unoziva ndiwe


munhu one akakwanisa
kundidzikamisa dai ndisina
kudanana newe hameno nhasi
ndingadai ndiri papi"

"Shuwa here daddy can I tell you


something"

"Tell me"

"You are my daily drug & I love you


with all my heart usazondirasisawo
ndofa ini"

"You mean the world to me and I


love you too..handife
ndakakurwadzisa Drug rangu" said
King.
King akabva andibata muwaist
akandiswededza pedyo naye tikabva
tatarisana.

"I love you my drug, ndinonzwa kuda


kuramba ndichikuudza izvi every
hour"

"I love you too daddy Drug kana ini


ndonzwa kuramba ndichizvinzwa
every hour"

"Umm mwana iwe une


zvawakandiita chete nekuti madiro
andokuita haasi normal" said King.
Rudo rwaipisa urwu ndakambofunga
kuti pamwe ndozvinoita rudo
rwuchitanga.King akandiperekedza
kumba akandisiya pagate aida
kundipa kiss
ndikamutiza.Ndakasvika mhamha
vachipakura takadya asi handina
kunyanya kudya.Ndanga ndakaguta
ndaitoda kutaura naKing
pafoni.Ndofunga ndakupenga chete.

"Ko wadya kupi Nassey"

"Ndadya pano masikati


mhamha"ndakadaro.
"Ko uri kusekerera chii ipapa
uchapenga iwewe" said Dumie
achiseka.

"But nhasi wanonoka kubva


kulesson hindava" vakabvunza
mhamha.

"Tanga tichiita madiscussion


nevamwe mhamha"

"Okay Nassey zvakanaka rega


ndimbotaura newe zvishoma ini
ndikakubata kuti wane mkomana
ndokurova ndotora foni iyoyo, uchiri
mudiki ndoda umboita zvechikoro
ndiwe wega mwanasikana wangu
saka ndoda uzoroorwavo
zvinodadisa ,nezuro ndakaona last
seen yako unenge uchitaura nani
ndinomuka kuita basa iwe wakarara
ndichiti zvimwe waiverenga iwe
waiva busy pafoni" said mhamha.

Mhamha vakabva vatora foni yangu


vakaona ine password nyaya ikabva
yatanga.

"Zera rako wakutoisa mapassword


pamafoni ,ini yangu foni
wakamboona ine password
here"said mhamha.

"Mhamha ko mwana wamava


kupopotera aita sei hanty ifoni yake
here siyai aite zvanoda nayo"said
Dumie.

"Dumisani hautaure pandotaura


iwewe nyarara, Nassey kutanga
mangwana ukurumidze kudzoka
kumba tanzwanana"

Vakabva vatoenda kubedroom


kwavo.Takangotarisana naDumie
ndakaziva kuti zvanga zvakakwidza
zuva iri.Ndakaenda kunorara
ndikatanga kutaura naKingsley
ndikaona mhamha vangu vaiva
online.Ndakazobatwa nehope ndiri
pachat raKingsley.Ndakamuka
ndichiita basa.Mhamha vakamuka
ndapedza vakabva vanyemwerera.

Ndakabuda ndichienda kumba


kwana Anna ndakasvika achitaura
natete vake.Ndakapinda mumba
mavo vanga vasina kuzvivhara
kumeso.

"Tete you are so beautiful"


ndakadaro.
"Shuwa here Nassey thanks"

"Hamuna kufitwa nekuvhara kumeso


zvamoita"

Padoor pakaita knock Anna


akavhura takashamisika tichiona
ari.....

*#Drop your comments#*


WATCH OUT FOR CHAPTER 19
*LAMP OF MY JOY*

https://chat.whatsapp.com/EANE8Ik
qGGQ9YM7aPHFHKq

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445
*CHAPTER 20*

*Anna*

"Tete ini handidi kubva kuno"


ndakadaro.

Ndaitaura natete vanga vari


kurongedza mabag avo vanga vakuti
takuda kuenda kunogara
kuBulawayo.
"Anna ndoda munhu anoterera
ndafonera sis vangu kuti vatsvage
nzvimbo yako pachikoro
pavanodzidzisa pakanaka usatya"
said tete.

"Tete handidi ndosara pano ndega


ndiudzei chii chamboita tibve pano"

"Nzvimbo ino haisi safe kwatiri


ndosaka ndati tiende kure" said tete.

"Kana muchiti haisi safe muri


kurevei"
Havana kupindura tete vangu
vakaramba vachirongedza hembe
dzavo.

"Anna rongedza hembe dzako"

"Tete machinja zvamakuita hazvina


kunaka I wish vabereki vangu vari
vapenyu" ndakadaro ndakuda
kuchema.

Ndakakura ndichigara nemun'ina


waTete vangu.Ivo tete
vakamboenda SA ndiko
kwavakatanga kushanda
vachitumira mari vachivakisa imba
yavo.Vakazodzoka tete vakanditora
tikaenda kunogara kumba kwavo
sezvo yanga isati yanyatsa
kupera.Ndikabvunza zvevabereki
vangu vaiti vakafa ndichiri
mudiki.Handina kuzonyanya kunetsa
hangu nekuti tete vaindiitira zvese
zvandoda.Kana dziri hembe
ndaitengerwa dzandoda vaindipa
rudo rwamai.

Kubva zvavaonana naKingsley ,tete


vanga vakugara vakasuwa dzimwe
nguva waivaona
vachichema.Ndikada kuvavhunza
vaindivhara ndakaona kuti pane
chinhu chavaisada
kundiudza.Ndakambofunga kuti
chingava chii asi apaana
zvandakaoma.

Ndakaona vakurongedza hembe


dzangu.Ndakabva ndabuda
ndakananga kumba kwana
Nassey.Ndiri muroad ndakafunga
kunoona King ndine zvandaida
kumubvunza.Ndakasvika kuknocka
pagate pavo Talia ndiye
akandivhurira gate.

"Hesi ko King aripo here"


"Haapo"

"Ko aendepi"

"Handizive ini angobuda makuseni"

"Talia ndiani" vakadaidzira gogo.

Ndakapinda ndikavakwazisa vanga


vakagara parupasa.Vakanditi
ndigare pedyo navo.

"Ko unonzi ani nekuti face yako ndiri


kuifananidza"
"Anna Tsepo"

"Tsepo ko vabereki vako varipi"


vakabvunza gogo vakavhura ziso.

"Vakafa ndichiri ,ndakakura


ndichigara natete vangu ko sei
mabvunza"

Kingsley akabva atosvikawo akauya


pandiri.

"Umm Anna wakafanana natete


vako kutozviona izvozvi"said King.
"Vanhu ndozvavanotaura nhai
henyu mkoma"

"Shuwa ratidza gogo pikicha ravo


hanty unaro mufoni vangazoti
ndonyepa"

"Ehe mira ndivaratidze" ndakadaro


ndichibudisa foni yangu.

Mai Talia vakabudikira vachindiona


vakatanga kupopota.

"Ndiwe wekumbosungisa vana


vangu ibva pano handidi kuona
tsoka yako, Kingsley wakufarisa
basa rekuunza vasikana vako pano
kundijairira" said Mai Talia.

"Iwe Mai Tariya dzikama mwana uyu


ndini ndamushevedza auya kuona
inini" said gogo.

"Handimude pano ibva pano iwe


hure" vakandibata vakandikanda
panze.

Vakasara vachipopotedzana
naGogo.Ndakashaya kuti ichiri
nyaya yekusungisa vana vavo here
or zvava zvepesenari.
"Sorry usavatevedzera mai ava
vanopenga ndizvo zvavari"

"Asi havasi mai vako here zvauri kuti


mai ava"

"Mai vangu vakafa kudhara ndichiri


mudiki, Mai Talia ndivo
vakazondichengetawo havasi mai
vangu"

"Hooo ndaisazviziva iwewe natete


vangu chii chinomboitika pakati
penyu"

"Apana zvoitika but havandifarire


ndoshaya ndakatadzei kwavari"

"hooo okay"

Tete vakafona vachiti ndidzoke


kumba izvozvi.Ndakamhanya
ndikasvika shasha yava kudya
mabag aiswa mudinning.

"Wanga wandepi ndakati chii


nenyaya yekufamba famba"said
tete.

"Ndanga ndichienda kwana Nassey


ndazovarairwa ndiri pamba pana
Kingsley"

"Pamba pani"

"Pana Kingsley ndaitaura nagogo


vacho vanondifarira apa Mai Talia
vakandivenga pese pandosvikapo
vanondituka vachiti ndakasungisa
vana vavo"

"Shiti Mai Talia na Gogo masatanist


vakurova here"

"Aaah why madaro tete"


Vakabva vatoenda kuroom
kwavo.Ndakadongorera padoor
pavo ndikaona vanga
vakuchema.Ndakapinda kugara
paside pavo.

"Ndiwe wega mwana wangu


wandasarwa naye" said tete
vachiuya kundimbundira.

"Yess mom i love you, ndinofarira


kukudanai kukuti mom than kuti tete"

"Okay no problem"
"Mom tell me chii chikunetsa"

"Anna handidi kuona


uchishungurudzwa next time
handide uende kumba kwevanhu"

"Okay mom"

Ndakabuda ndikabika zvangu


ndapedza ndikapakura asi tete
vakaramba kudya.Ndakaedza kuda
kuvamanikidza vakaramba.Takarara
ndakamuka tete vatopedza
vachinja.Ndakagezawo ndikapfeka
hembe dzangu.Tikatora mabag
kubuda sezvo tanga takuenda
kuBulawayo.Nassey akabva asvika
sezvo ndanga ndamuudza.Tete
maziso avo aiva akatsvuka.

Nassey akabata bag raiva natete


tikaenda kubus stop.Tete vanga
vakapfeka sunhat nemagirazi
jealous down vanga
vakachena.Takasvika kumira
pabustop mota dzikati dzatanga
kunetsa apa kwaipisa sei.Tete
vakabva vazongodonha pasi ndiye
zii.Takamhanya pavari tikaedza
kuvamutsa asi
zvakaramba.Ndakatanga kuchema
apa mota dzainetsa.Vanhu vanga
vatoungana.....

*Nassey*

Pandakaona Hilda ndakabva


ndatoziva kuti ndiye mkadzi
waHenry ndakambomuona hangu
pafoni yake.Ndaida zvekumutuka
kungoti ndakanyara Kingsley chete.

Pakasvika Dumie ndaka hagana


naKingsley ndakanyara.Ndakaona
asunga chiso chake akatanga
kufamba achiuya patiri.Ndakaona
kuti apa ndikapusa King airohwa
chete Dumie ndomuziva.

"Tiza now"

King akabva avhura rimwe


bara.Dumie akasvika pandiri haana
kundirova akandibata ruoko
akandidhonza kuenda neni
kumba.Takasvika mhamha vasipo.

"Nassey uri kuzama kumboita sei


chaizvo"
"Zvauri kufunga zvisizvo"

"Nassey ndinokurova wanzwa


ndiudze chokwadi"

"Chokwadi chei"

"Usada kundigumbura zera rako iri


watova nemkomana"

"Ati mkomana wangu ndiani"

Akabva ndipa mbama


ndikamudzorerawo.Marowerwo
andakazoitwa ndipo pakasvika
mhamha.

"Handina zera newe wanzwa


ukaramba uchindidaira rough dzako
ndichakurova zvekuti unotadza
kufamba"

"Ko inyaya yei"

"Ngataure ari kuziva nyaya yake"

"Sorry"

Dumie akabva abuda mhamha


vakandibvunza ndikavavhara
vhara.Ndakazoenda kuroom
kwaDumie ndikakumbira ruregerero.

"Nassey ndaida kuudza mhamha but


ndatonyara kuvaudza
vanozorwadziwa asi why uchidaro,
ko ukamitiswa unoita sei mhamha
vakatarisirawo zvihombe kubva
pauri iwe wakuita chihure"

"Sorry bro"

"Gara nesorry yako kana wakuda


kuroorwa gara wataura mhamha
vasaswera kukuendesa kuchikoro"
Ndakaenda kunorara kana kudya
handina.Anna akandiudza kuti
akuenda
kuBulawayo.Ndakabatikana nekuti
ndiye munhu wandanga
ndakuwirirana naye.Ndakamukira
kuenda kumba kwavo ndaida
kuvaperekedza.Tete vake
vakazodonha tava
pabustop.Transport ikati yatanga
kunetsa.Ndakafonera Dumie fast
akauya nemota yake.Takakwidza
tete tikamhanya navo kuchipatara.

Vakaendeswa kune imwe room


tikanzi tisare panze.Ndakapinda
busy kunyaradza Anna anga ava
kuchema.Doctor vakauya vakati BP
yavo yanga yakwira.Anna akaenda
kuroom kwavo vanga vakarara
vasati vamuka.Takagara kusvika
manheru tete vasati
vamuka.Ndakatora Anna tikaenda
naye kumba kwedu.

Ndakamuti aende kunogeza


akageza achibva adya
nekurara.Kuchiedza takamukira
kuchipatara takasvika tete vakarara.

Kingsley akabva asvika


akachena.Akatanga kusimbisa Anna
achiti vanopora.Tete vacho vakabva
vamuka.

"Hiii mom mamuka maida kundisiya


nani" said Anna.

"Don't cry my daughter hakuna


kwandinoenda ndichikusiya"

"Ko muri kufungei hanzi BP yenyu


yanga yakakwira"

"Anna ndichakuudza nyaya yacho


ndabuda muchipatara, Kingsley
naNassey thanks nekuuya
kundiona"

"Muchitendei mhamha" said Nassey.

"Anna naNassey ndokumbira


mumbobuda ndoda kusara
naKingsley" said tete.

"Why"

"Itai zvandareva"

Takabva tabuda na Anna.Asi Anna


akabva aenda kutoilet.Ndakasara
ndichinzwa zvangu zvavaitaura.
"Kingsley unondiziva here"

"Yes ndokuziva muri tete vaAnna"

"I'm your mother"said tete


vakuchema.

"What how come kuti muite mai


vangu, mai vangu vakafa wani"

Ndakaona Gogo vaKingsley hameno


vaitsvagei.

"Mwanangu ndarasika handichaoni


muzkuru wangu Kingisiri ndiye
anoziva ku office kwadhokuta
ndiudzewo kune ofisi yacho"

"Okay handei ndinokuratidzai"

"Aaah ndiwe unofambidzana


nemuzukuru wangu ko uri kuitei
kuno"

"Ndauya kuona tete vaAnna vari


kurwara"

"Aah varipi ndoda kuvaonawo"


vakadaro.Vakanetsera kuda kuona
tete vaAnna vakabva vapinda
muward muya.Ndipo pakadzoka
Anna tikabva tapindawo.

Tete vakatarisana naGogo.Gogo


vakatanga kuyeredza misodzi
vakabva vagara pasi pafloor
chaipo.Ndakatoona kuti paiva nyaya
hombe chaiyo.

"Ko ava vauya kuitei pano"


vakabvunza tete vaAnna.

"Ndigogo vangu ndauya navo vanga


vachiuya kutora mushonga wavo
,pedzisai nyaya yenyu"

"Bvunza gogo vako vanokuudza"


"Gogo ishuwa here kuti ava ndivo
mai vangu" akabvunza King.

Anna akavhura maziso


zvekushamisika.Munhu wese anga
atarisa kuna gogo kuti vachapindura
kuti chii....

*#Drop your comments#*


WATCH OUT FOR CHAPTER 21
*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445
*CHAPTER 21*

*Kingsley*

Tete vaAnna pavakati ndivo mai


vangu ndakatadza kuzvitenda.Gogo
pavakapinda ndakaona vatarisana
natete vaAnna.Gogo vakayeredza
misodzi vakagara pafloor pasi
chaipo.

"Gogo ishuwa here kuti ava ndivo


mai vangu" ndakabvunza.

Gogo havana kudaira vakatarisa


pasi.Ndidzo time dzakasvika doctor
akati tibude tese murwere awane
nguva yekuzorora.Ndakabhoekana
ndaida kunzwa nyaya dzevaviri
ava.Ndakazoona Anna akanditarisa
kubva kumusoro kusvika kutsoka
kunga ari kundifananidza.Haana
hake zvakataura anga akabata
shaya uyuwo Nassey anga ari pafoni
pake.Vatori gogo vanga
vakatsikitsira vakagara
pazvimabench zviya
zvemuchipatara.
"Gogo ndiudzei chokwadi tete
vaAnna ndiani wangu"
ndakabvunza.Anna akabva atarisa
gogo aida kunzwavo.

"Kingisiri mai vako vakafa uyu


mkadzi handisi kuziva kuti ndiani asi
akafanana namai vako" said gogo
vachiratidza kunetseka.

Ndakatoona kuti kuswera kuvhunza


gogo kupedza nguva apana
chavanotaura chisvinu.Takabuda
tikaenda kumba ndanga
ndakatodhiniwa.Nassey naAnna
vakasara vakagara pamabench
paya.Takasvika dad vachidya zvavo.

"Iwe udza mwana chokwadi izvozvi


ukatadza ndiri kuzvitaura inini
pamwe newe mai Talia une
zvawakaita ndiri kuzviziva" said
gogo.

"Mhamha kwava kukura here kana


kuti njere dzava kurasa inyaya yei iri
kuda kuudzwa mwana" vakadaro
dad.

"Kingisiri handina zvakawanda


zvandinoziva asi mira ndikuudze
zvishoma zvandinoziva, iwewe
pawanga wagrade 2 baba vako
vakatanga kuhura vachidanana
namai Talia vakagumisira vakuda
Mai Talia kupfuura mai vako
vasingacharari pamba, pavaiuya
pacho vaisiya varova mai vako
zvese izvi ndakazviudza zvese izvi
zvakaitika ndiri kumusha,
ndakazobva kumusha ndichinzwa
kuti mai vashaya as......." havana
kupedza gogo vakatwa namai Talia.

"Enough is enough mai imimi mune


pamuromo musada kundidenha
zvino mukataura history yezvakaitika
kare ndizvo zvichamutsa mai King
kumakuva here nxaa"said Mai Talia
vakanongedza gogo.

"Mai Talia dzikama ziva uri kutaura


mai vangu siya vakadaro ndotaura
navo, nyaya dzamai Kingsley
handidi kudzinzwa pano, mhai
musada kundipesanisa nemwana
wangu nemashoko enyu"

"Mudhara ndipei ka pikicha ramai


vangu ndivaone"

"Unoda kuridii" vakabvunza dad.


"Kuvaona"

"Wavaona wozodii"

"Ndozotangira ipapo" ndakadaro.

Mapinduriro adad akandibhowa


ndakabva ndaenda muroom mangu
kunorara.Dad naMai Talia vane
zvavakaita mai vangu chete saka
why vachindivhara vhara
pandinobvunza.Talia akabva
apindawo mubedroom mangu.

"Uri kudei muno"


"Mkoma I know makabvira kare
muchitsvaga mapics amoms venyu
nhasi ndapinda mubedroom madad
namom ndatsvaga everywhere
mapics ndikaona abulm remapics iri
ndariona pakati pehembe
dzamhamha but pliz musavaudza
kuti ndini ndakupai" kakadaro.

Ndakavhura ndikatanga kuona


mapikicha emuchato adad nemkadzi
uya wandaona kuchipatara.Kutaura
chokwadi ndakayeredza misodzi
ndakatarisa mhamha vangu.Saka
ndivo mhamha vangu vapenyu
nhai.Ndakanzwa hasha kuti dad
vaiviga mapics aya vasingadi
ndimaone sei.Ndakasimuka
nehasha Talia akandibata.

"Mkoma ndosaka ndanga ndisingadi


kukupai ndakubatsirai asi
mondibatsirawo kuti ndisaenda
kumusha iiih uko handide gogo
vanobhowa havandifarire"

"Hooo okay kumusha hauyendi don't


worry Talia wandifadza apa"

Ndakatora 5US ndikakapa kanga


kagona basa.Kakabuda ndikasara
ndichivhura kuona mapics ranga
rakanyanya kuzara amhamha
mamwe acho vachiri
mudiki.Ndakaisa abulm riya
mukabag kangu.Ndikabva ndabuda
nepawindow ndini uyo
kuchipatara.Pakupinda pakada
kumbonetsa asi ndakachema chema
ndikapinda maiva namai
vangu.Ndakasvika vakarara
zvavo.Pandakabata ruoko rwavo
vakabva vamuka.

"Kingsley my son"

"Mhamha"
Vakabva vatanga kuyeredza misodzi
ndikapukuta nemaoko
angu.Vakabva vamuka ndokugara
zvavo.Ndakabudisa mapikicha aya
ndikavaratidza vakatanga kuchema
zvakanyanya ndikazoona rimwe
page randanga ndisina kumboona
mom vakabata kamwana kadiki.

"Apa ndiwe uchiri mudiki apa


wainetsa sei" said mhamha
vachinyemwerera uku misodzi
ichibuda.

"Mhamha tell me chii chakaitika


kwamuri"

"Son ilong story ndokuudza ndabuda


muno"

"Okay hakuna kwandichaenda


kusvika mabuda muno"ndakadaro
ndichigara pachair.

"No enda hako unouya uchindiona


kwakachena"

"No mhamha ndoda kuva pedyo


nemi"

Ndakagara pachair paya kusvika


ndakubatwa nehope.Ndakarara
paimwe bed yaiva isina munhu
panga pangori nemetress
chete.Ndakazopepuka makuseni
ndafunga gumbezi .Ndakaona
mhamha vangu vakarara vasina
gumbezi vapa inini.Ndakavafukidza
gumbezi riya sezvo kwanga
kwakutoedza.Ndakagara pachair
ndikaona mamissed calls adad.

Anna naNassey vakazosvikawo


makuseni vakashamisika
vachindiona.

"Ko iwe wasvika nguvai pano ko


nezuro sei usina kupindura
mamessages angu" akadaro Nassey
akasunga chiso.Mhamha vakaramba
vakanditarisa vakabva
vanyemwerera.

"Nassey sorry ndanga ndine stress


ini"

"But unofana kundiudzawo ndanga


ndava worried"

"Nyaraiwo tete vangu vanhu imi"said


Anna.

"She is my mother ndikufara kuti


ndazowana mai
vangu"ndakadaro.Anna akavhura
rimwe ziso akatarisa mhamha.

"Tete ishuwa here ichi, imi hamuna


kundiudza kuti mbereko yakaramba
mukarambwa nemurume here"

"Yes ichokwadi zvimwe


ndichakuudza ndabuda muno,
ndichakuudza mareasons akaita kuti
ndisakuudza chokwadi"

Doctor vakauya vakati mhamha


vakukwanisa kubuda havo.Takabva
taenda kumba kwavo.Zvekudzoka
kumba ndanga
ndisingachadi.Ndakafunga kunotora
hembe dzangu.Ndakaperekedzwa
naAnna anga akundifarira
hake.Takasvika pamba pangori
naTalia naTino.

"Gogo vaendepi"

"Vamukira kuenda kumusha


vatukana nadad makuseni"said
Talia.

"Ko mhamha vako"

"Hameno vaendepi vabva kubuda


ummm maruzirira makuseni paitika
hondo pano dad vatukwa nagogo
vachinzi wauraya futi mwana kuti
asaziva chokwadi ka"

"Dad vane zvavakaita mai vangu


ndikazviziva vachandiona havo"

"Ko mava kutora mabag kuenda


kupi" akabvunza Talia.

"Talia ndinopota ndichiuya kukuona


don't worry kuti ndigare pano
hazvichaite rega ndimbotatarika
nesango"
"Mkoma musaenda kani pano ndimi
munhu wandanga ndakuwirirana
naye mhamha havana nguva nesu
ava"

Ndakaoneka ndikapa Talia imwe


5US vakasheyana
naTino.Ndakaenda kumba kwamai
vangu yanga isati yapera kuvakwa
asi yanga yakanaka
zvayo.Ndakashamusika ndichiona
Mai Jessy munin'ina wamhamha
varipo.Ndakashaya kuti vanga vauya
nguvai pavakandiona vakafara
zvisingaite.
"Finally ndafara kuti wazozivana
namai vako"

"Saka maiziva kuti vapenyu nhai"

"Ndini ndaizviziva madays acho


ndini ndakavabatsira dai ndisirini
vakafa" said Mai Jessy.

"Saka ini vabereki vangu varipi"


kakabvunza Anna.

"Mai Kingsley hausati waudza


mwana chokwadi nanhasi"

"Mai Jessy chimbomira izvozvo


ndikumbofara ndaona mwana
wangu"

"But yava nguva yekuti Clemence


nerukadzi rwake vasungwe manje
evidence ndinayo, uyezve vana ava
vakufana kuziva zvakaitika"

"Handisi kuda vasungwe Mwari


ndiye achava tonga"

"Watanga kupusa vachakuuraya


zvemashuwa vakanzwa kuti uri
mupenyu"said Mai Jessy.
Takabuda panze naAnna tikasiya
vaviri ava vachitaura nyaya
dzavo.Time dzakatakadzoka mumba
ndakabvunza kuti mhamha
vachindiudza chokwadi chakaitika.

"Shuwa udza vana vazive chokwadi"

"Nyaya yakamira so makore apfuura


ayo nababa vako taidanana
zvainwisa mvura vamwene vangu
vaindida vaidada neni taisasiyana
asi zvese izvi zvakazopera mushure
mekunge baba vako vakuhura,
vakagumisira vasingacharari pamba
vakundishungurudza ndichitukwa
,ndakafunga kutsvaga hure racho
ndikariwana rik........" havana
kupedza kutaura padoor paita
knock.

Anna anomhanya kunovhura tikaona


ari.....

*#Drop your comments#*

WATCH OUT FOR CHAPTER 22


*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 22*
*Kingsley*

Door rinovhurwa tinoona ari


Nassey.Anopinda anokwazisa
munhu wese aiva mumba.Ndakaona
mom vaimufarira vakamuti agare
pedyo navo.

"Handina kuuya kugara ndichadzoka


Anna ndipewo text book riya reGeo"
said Nassey.Anna akatora text book
racho akamupa.Akabva atoenda
hake apana akamuperekedza nekuti
taida kunzwa nyaya yamhamha.

"Pandakaona baba vako kuti vaihura


namai Talia ndakarwadziwa kusvika
pakuchema ndakazama kuda
kutaura namai Talia kuti vasiyane
nemurume wangu asi mashoko
avakataura ndiwo akandipedza
simba"

"Vakati chii" akabvunza Anna.

"Vakati murume ndewedu tese asi


iko zvino ndewangu anoterera
zvandotaura iwewe haupedzi
mwedzi uno uri pamba ipapo uchida
zvikunakire gara warongedza urove
pasi"

"Ndakaenda kumba ndichirwadziwa


ndikambofunga kufonera vamwene
asi ndakasiyana nazvo, day racho
baba vako havana kuuya kumba
manheru pakabva pasvika umwe
murume akakumbira mvura
yekunwa ndakamupa akabva airasa,
akaburitsa banga akati ndikaita
nharo aindibaya aida kundirepa
ndipo pakasvika baba vako murume
uya ari busy kl kuda kuzvimanikidza
pandiri achiona baba vako anobva
atiza anga atodambura chipfeko
changu chemukati asi hapana
zvaanga aita, baba vako vakabva
vafunga zvisizvo"

"Aaaah vakabva vaita sei"

"Ndakazama kuda kuvatsanangurira


asi havana kunzwisisa inini
ndakaziva kuti murume uyu atumwa
namai Talia chete, baba vako
vakasiya vandirova vakati ndoda
kudzoka wabva pano ndagara
handichakude mashoko aya
akandirwadza zvekuti
ndakambofunga kuzviuraya asi
ndakaregedza nekuda kwemwana
wangu Kingsley aizosara
akatambudzwa nehure ravo"

"Hiii mhamha makarara life


inorwadza" ndakadaro misodzi
yakurera.

"Gogo vako vakafona vachindituka


Kingsley vachinditi hure hameno
vanga vaudzwa kuti chii nemwana
wavo ndakazama kuda kuvaudza
chokwadi asi havana kundinzwisisa,
vakasapota mwana wavo kuti
ndidzingwe pamba, ndakafonera Mai
Jessy ava ndikavaudza zvanga
zvichiitika vakati vari kuuya
kunditora, inini zvekubva pamba
ndaisada nekuti imba iyoyo
takaivaka tese baba vako vakadzoka
pakati pehusiku vakawana ndiripo
vakatanga kundirova kusvika
ndisasafemi"said mhamha
vakutadza kutaura nekuchema.Mai
Jessy vakabva vatanga kutaurawo.

"Ndakasvika mangwana wacho


ndikasvika pamba pakazara vanhu
zvichinzi sis vangu vafa ndakaridza
mhere ndakananga pana Baba
vaKing ndikasvika kuvapa
chibhakera ndikati ndiudzei sis
vangu varipi vakati vauraiwa
nechikomba chavo body yavo
ikakandwa mumvura saka mapurisa
ari kuona nezvenyaya yacho"

"Aaah saka gogo vakadzingawo


mhamha, sei vachinyepera kuita
moyo wakanaka everytime
unongonzwa vachiti hee mai vako
vanga vane moyo wakanaka
handisati ndambonzwa vachitaura
zvakaipa pamusoro penyu".

"Hama dzedu dzese padzakanzwa


kuti Mai vako vafa dzakauya pakaita
hondo pamba ipapo baba vako
vakatituka tese vakatidzinga pamba
pavo gogo vako Kingsley vanga
varipo asi vakaramba vakanyarara
vachiona tichitukwa asi havana kuita
action"said Mai Jessy.

"Aaah pamusha paya zvepane


vanhu vanoroya kutangira kuna
Talia wacho" said Anna.

"Hama dzedu dzakaenda kupolice


kunotaura nyaya yacho asi
yakangotsikwa tsikwa vakagumisira
vasiyana nazvo pakava neruvengo
kusvika now"

"Okay imimi mati makabatsira


mhamha makavabatsira sei taurai
zvandinonzwa"

"Handisati ndapedza dzikama,


ndakuenda kumba kwangu Chivhu
manheru ndakaona umwe mkadzi
akamisa mota husiku pasi paine
munhu akazara ropa ndakafunga
kuti muroyi asi ndakaona chiso
chamai vako ndikamisa ,mai vako
vanga vari flat ndakambofunga kuti
vafa ndakachema mkadzi uya akati
avaona paside perwizi akati haazive
vachiri kufema here, takamhanya
navo kuchipatara"

"Doctor vakatiudza kuti vanogona


kurarama pakuda munamato ndipo
pandakaudzwa kuti vanga
vakazvitakura nematwins asi umwe
wacho akakanganisika pakasara
one anova Anna uyu" said Mai
Jessy

"Kubva ipapo mai vako vapora asi


vanga vakugara vachichema
ndakaenda navo kuBulawayo
kusvika vazopona Anna vakandisiira
vachienda kuSA kunoshanda vaiti
vakuda kushandira Anna awane
zvese zvaanoda "

"Anna nyaya yakaita ndisakuudza


kuti ndini mai vako ndaiziva
uchandinetsera kuna baba vako, dai
ndakati vakafa waizondinetsera
kune hama dzavo I'm sorry my
daughter ndiwo mamiriro akaita
nyaya aya" said mhamha.Anna
akabva anditarisa achichema
akabva andimbundira.Takabva
tambundirana namhamha tiri vatatu.

"Paya pandaiuya kukuona Kingsley


mai vako ndivo vaindituma kuti enda
unotarisa mwana wangu ari sei, asi
baba vako naMai Talia vaindituka
kungoti waisazviona plus ndaitsvaga
evidence yekuroverera baba vako"
said Mai Jessy.

"Zvakaoma ndarwadziwa nelife


yakararama mhamha thanks mainini
Mai Jessy nekumira namhamha
vangu dai musipo vasina kurarama"
ndakadaro.

"Tenda Mwari nekuti ndiye


akavachengeta now yava nguva
yekufara namai vako kwete
kuchema"

"Yava nguva yangu yekuita revenge,


Mai Talia ndivo vane yese panyaya
iyi ndoda vamborwadziwavo
vaindishungurudza vachinyepera
kundifarira dad varipo, kana ivo dad
ndakagara ndazviona havana basa
neni vaingoda mkadzi wavo manje
this time tinopedzerana" ndakadaro

"Taura hako vakarwadzisa mai vedu


ndinoda kupedzera navo" said Anna

"Vana vangu izvozvi haisi nguva


yekuita revenge asi kufara kuti
tasanganiswa.Revenge yei siyai
Mwari vachavatonga ngatiite move
on nelife yedu" said mhamha.

Zuva iri rakandinakidza muhupenyu


hwangu.Anna anga achada
kumbosiyana neni here.Mhamha
vakatofarirawo kuwirirana
kwedu.Nassey akazosvika kwava
kusviba achitora Anna kuenda
kulesson.Ndakavaperekedza hangu
ndakati Anna afane kutangamira
ndimbotaura nemunhu wangu.

"Umm daddy nhasi muri kufara"


"Yes guess mai vangu ndivo mai
vaAnna"

"Hiiii saka Anna nditete vangu


ndafara"

"Yess tasvika day riya handina


kukupinzisa busy namkoma vako
here"

"Aaah vakandituka asi havana


kuudza mhamha"

"I love you babe"


"I love you too my daily drug"said
Nassey.

"You are the lamp of my joy Nassey


, ndokuda nemoyo wangu wese
unogona usati wava kuzviona asi
uchazviona hako mukufamba
kwenguva"

"Umm ndozviona drug uzouya


kuzondiona panopera lesson
chakuisira message" kakadaro
kanga kakuda kumhanya
kulesson.Ndakakarova kambama
kumagaro kakanditarisa kachinyara.
"Aah haunyare here"

"Chienda iwe" ndakadaro


ndakuseka.

"Iwe wakanditarisa here"

"Chienda ndatarisa kuside"

Kakabva kaenda ndakaenda kumba


ndikasvika mhamha vari kutaura
nyaya nemupfana wavo Mai Jessy.

"kamusikana kauya pano asi ndiko


kamuroora kedu here" vakabvunza
Mai Jessy.

"Haa ndowiriranawo naye hapana


iripo" ndakanyepa ndichidaro
mhamha vakabva vatanga kuseka.

"Ko kunyepa ndokunei ndakakuonai


kuchipatara paya"

"Ndibesty wangu mhamha zvamuri


kufunga hazvisizvo" ndakanyepa
ndichidaro.Zvaisaita ndiudzei mai
vangu zvaizoita sendava
ndavajairira.Ndichazovaudza hangu
rimwe zuva.
Nassey ndaimuda nemoyo
wese.Kubva zvandadanana naye
handina kumboita umwe
musikana.Ndiye ega musikana
akakwanisa kundidzikamisa nekuti
mumadress ndaisabvako.Kubva
zvandasiyana naHilda handina
kumbofunga ndichazowana
musikana achandidzikamisa
acharoverwa nehana
yangu.Kwasviba mufoni mangu
makapinda message Nassey akati
vapedza lesson.Ndakaendako
ndikaona achifamba naAnna.
"Anna ndokuona paden mira
ndimboona munhu wangu"

"Ndokumirira ukurumidze kudzoka"


said Anna.

Ndakaperekedza Nassey
ndakamubatira bag rake.Takuda
kusvika pagate pavo takabva tamira
paiva nekarima.Ndikabva ndakapa
kiss ipapo ipapo malips emwana uyu
ainaka kutapira chaiko.Ndanga
ndakunzwa kukada chaiko but
zvaisaita taiva paroad.

"Sweetheart"
"Daddy Drug"

"I love you" ndakadaro.

Izvi unofana kuudza musikana wako


kakawanda pazuva zvinoratidza kuti
unomuda.Kwete zuva kupera usina
kumboita kana kuita ka 1.Ukanzi I
love you kana I miss you ,zvinonzi I
love you too kana I miss you too ,
kwete kuti okay kana kuti
ndatenda.Ipawo umwe wako
manyukunyuku murudo.Chimwe futi
kana uri murudo dzidza kudaidza
umwe wako nemazita sekuti honey,
sweetie,mummy ,daddy etc kwete
kuti iwe ,imi.Ukangoita izvi unoona
kana rudo rwacho rwotapira.

Kana akudana kuti honey itiwo


sweetie kwete hwee kana
hello.Hazvingoite zvodzikisira rudo
rweumwe wako kuti asi ndaita kunhu
asiriye.Pamwe pacho
unozvikanganisira relationship
nekushaya respect wapedza
wofambisa mbiri hee nhingi uya
haana rudo.Kufungirana ngakuite
kushoma usaterera
makuhwa.Muvanhu kune vane godo
neshande.
"I love you too my king"

"Chienda unozorohwa kumba"

"Okay daddy ndichafona"

Ndakadzoka ndikaona Anna anga


akandimirira.Ndakatora bag rake
ndikaribata.Takatanga kufamba
tichienda kumba.

"Haaa Nassey anozodiwa apa"

"Yess ndomuda but mhamha


vakabvunza unoti mabesty handisati
ndakuda vazive zvozoita
sendanyanya kuvajairira"

"Vanenge vakuzviziva ava"

"Hooo Anna ndiwe unotamba


naNassey make sure haite chihure
uripo"

"Uyu haadaro ndinotyira iye kuti


ndiye angarwadziwa iwe wamuhurira
manje neni hauhure ndomutuka
musikana iyeye"

"That's my lil sis"


Takasvika kumba vana moms
vachidya zvavo.Tapedza
takanamata pamwe chete tikaenda
kunorara.Nassey akabva afona
takataura 30mins dzese.Dzakapera
ndichiri kunzwa kuda kutaura
naye.Ndakajusa dzimwe 30mins
ndikatanga kutaura naye
ndikamunetsa kuti ndiimbire kachiti
ndonyara.Akazondiimbira asi
ainyara hake kusvika mari yapera
ndikabva ndarara hope
dzehumambo.

Makuseni mhamha vakamukira


kuenda kuBulawayo vaiti vane
zvinhu zvavo zvavaida
kunotora.Vakati vachauya zuva
rinotevera racho, takasara naMai
Jessy.Pamba apa painakidza
zvapo.Pasina nguva ndinonzwa
knock yehasha padoor
pedu.Ndinovhura door ndinoona vari
mudhara vangu.Ndakashaya kuti
vanga vaudzwa nani kuti ndava
kugara pano.

"Bro ko ndianiko" akabvunza Anna


achiuya padoor.

"Ndokubatsirai nei" akabvunza Anna


akasunga chiso.

"Ndauya kutora mwana wangu ko


iwe ndiwe ani, Kingsley unobva
pamba usina kundiona kuti zvidii
wakundijairira mwana iwewe
kungoita tundebvu makuzviona
semakura nhai" said dad.

Mai Jessy vakabva vabudikirawo


pavakanzwa noise....
*#DROP YOUR COMMENTS#*

WATCH OUT FOR CHAPTER 23


*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587
_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 23*

*Kingsley*

"Eeeh mudhara leave me alone


handisi mwana mudiki anoteverwa
kuti dzoka kumba, kubva
kwandakaita kumba kuratidza kuti
handichadi zvepo handigare
nevaroyi" ndakadaro mudhara
vakabva vasimudza ruoko vachida
kundirova vakabatwa naAnna.

"Kingsley ndinokurova ukafa wauri


kuti muroyi ndiani, musikana iwewe
usapindira nyaya dzausingazive
ndinokusiya ndakurovera pamba
penyu haundizive mushe"

"Hehehede kana imi hamundizive


mushe handisi Mai Talia magara
muri varoyi pamwe chete
nekamkadzi kenyu ndiani
asingazvizive" said Anna.
Mai Jessy vakabva vabudikirawo
pavakanzwa noise.Mudhara
vakaratidza kushamisika vachiona
mai Jessy.Ivo Mai Jessy vakatora
bucket remvura vakabuda naro
vakadira mudhara.

"Satan uri kudei pano manje neni


topedzerana zvawakaita zvese
ndikuzviziva" said Mai Jessy.

"Iwe hure ungandidira mvura waguta


kunyarwa manje"vakadaro mudhara
vachida kurova Mai Jessy
vakabatwa naAnna.Anna akabva
arohwa ariye ndakanzwa hasha.

Ndakapinda mumba ndikatora


mupini webadza ndaida
zvekutomuponda chaiko.Ndakabuda
ndichida kuvarova ndakavapotsa
nemupini
vakatiza.Ndakavamhanyisa kusvika
kumba uku Anna aitevera
kumashure.Vakasvika kuzvivharira
door.Ndakanopwanya mawindow
epabedroom pavo ndikatanga
kurova rova door.Mai Talia vakabva
vabuda vakadumbirwa
nehasha.Pavakaona ndakabata
mupini vakada kudzokera mumba
vakadonha.Anna ndiye akasvika
kubata kuti ndisavarova.

"Anna ndisiye ndoda


kumbogadzirisa mukadzi uyu ndiye
akaparadza marriage yamhamha
ndoda kumupinza muforo ndiye
achazoudza vamwe vakadzi kuti
murume wemunhu haatorwi"

Anna akatora mupini uya


ndakamhanya kuno vhuna shamhu
yangu.Ndakasvika kuona Mai Talia
vakuda kupinda mumba ndakavapa
shamhu kumusana.Ndakatanga
kuvabhura neshamhu iya Anna
akazama kubata akanditadza
ndakaona ava pacall ameno aitaura
nani.

"Ndoda kuchibvisa chihure chiri


pauri wakajaidzwa mkadzi iwewe
makashungurudza mai vangu
mapedza mondivigira mapikicha
avo"

"Sorry kani yohweee unondiuraya"


said Mai Talia.
Ndakavarova mudhara vakabuda
vakabata bhemba.

"Unorova mkadzi wangu nhasi unofa


chete hapana ngozi yandoita uri
ropa rangu"

Ndakafamba ndichidzokera
kumashure.Mudhara havana kuona
kuti Anna aiva kumashure kwavo
vakabva vatemwa nedombo
vakadonha ndikatora bhemba
riya.Anna akanditorera bhemba riya
ndikatora shamhu yangu.Pandanga
ndoda kurova mudhara neshamhu
iya ndipo pakasvika Nassey
akandibata.Ndiko kudzikama
kwandakazoita.

"Mai Talia namudhara zvamakaita


mai vangu ndakuzviziva ndikuda
kurevenger pakati pedu tiri vatatu
pane 1 achafa chete haiperi
yakadaro iyi"

"King dzora hasha remember


ndibaba vako ava" said Nassey.

"Handina baba vakadai satan uyu


nxaa"
"Uchandifunga pane zuva
rauchandida uchauya
uchindipfugamira chete now
chimboita inguva yako yangu
ichasvika" said dad vadzikama.

Mai Jessy vakabva vasvika


vakatangana nekurova Mai Talia
pakaita hondo pamba apa.Anna
akatora mavhu akadira mudhara
kumeso.Vanhu vepa next door ndivo
vakauya kuzobata.Takabuda
kudzoka kumba Nassey ndiye
aingondiudza nyaya dzake ndiri zii
ndanga ndakatotsamwa.
"Daddy zvimwe zvinhu zvinoda
kutanga wafunga usati wazviita
nekuti unozo regretter watozviita
unofana kucontrolla hasha
dzako"said Nassey.

"Nassey usada kundibhowa saka


ukuti handitangi ndafunga here"

"Aiwa daddy handina kudaro sorry


Save umm hauna kufitwa
nekutsamwa"said Nassey
kakandibata ruoko.Anna naMai
Jessy ndofunga vanga vatosvika
kumba chete nekuti
vaifambisa.Ndakabva ndamira
Nassey akabva andipa kiss ipapo
ipapo.Hasha dzangu dzakabva
dzapera dzese ndakazonyara vanhu
vanga vatitarisa iko ndakaona
kakutarisa pasi.

"Daddy handifare kuona


makatsamwa ini"

"Handisisina kutsamwa my future


wife"

"Hiiiiiiii shuwa here sweetheart"

"Yess ummm malips ako


anondinakira"

"Aaah daddy"

"Unonyanya kundinyara too much"

"Handinyare"

Takatanga kufamba tichitaura nyaya


dzerudo.Takasvika nekugara
paveranda.

"Ndakudzoka daddy"

"Wakudzoka usina kutaurawo neni


wakaoma hanty ndini ndakufonera
here"said Anna akamira padoor.

"Besty sorry kani"

"I'm your aunt not besty"said Anna


achiseka hake.

Anna naNassey vakabva vabuda


vese.Ndakasara zvangu naMai
Jessy mhamha vakafona asi havana
kuudzwa nyaya yaitika.Mangwana
acho makuseni mhamha vakazouya
makuseni nerori ranga rine masofa
anga akanaka.Takamatakura tikaisa
mumba.

"Ko masofa aya makamatenga


rini"vakabvunza Mai Jessy.

"Ndakamatenga kudhara madays


aya andaishanda kuSA"

"Akanaka zvavo"

"Ko makasara sei pano"vakabvunza


mom.

"Pakasara pachitika hondo mudhara


vakauya vachida kuonererwa
pano"ndakadaro.
Anna akabva atsanangura zvese
zvakaitika mhamha vakabva
vanditarisa vakatarisa futi mai Jessy.

"Newewo Mai Jessy wakura but


moswera muchinoita zvisina basa
akati nyaya inopedzwa ne violence
ndiani, Kingsley remember ndibaba
vako hapana chinofa
chakachinja"said mhamha.

"Sis matauriro amuri kuita kunga


muchiri kumuda Clemence wacho,
inini ndoda kutopedzerana naye,
kamkadzi kacho ndakakarova.Mai
Anna ukadzokerana naBa King
hukama hwedu hwopera"said Mai
Jessy.

"Iwewe une problem kuda


zvejambanja, baba King handife
ndakadzokerana navo asi nyaya
yandikuda kutaura vana ava
havafani kupinda pa issue iyi
ndopedza ndega nyaya yangu"

"Mhamha munodaro henyu apana


zvamoita imi da...."Anna haana
kupedza kutaura akatwa
namhamha.
"Anna saka kunorova kwamakaita
baba venyu kwabatsirei, handidi
anopindira nyaya dzangu nababa
venyu ndopedza ndega"

"Sis ini handisi kuzomira kusvika Mai


Talia naBa King vasungwa wagona
Anna wadira zidhara riya mavhu,
King dai wariponda
ndakarimaka"said Mai Jessy

"Iwe Mai Jessica usaita kunga


mwana mudiki" vakadaidzira
mhamha.

"Siyai vana vaita revenge


vakarwadziwa nezvawakaitwa siya
vaite zvavafunga ndine support yavo
inini umwe asara kurohwa kaGogo
kacho kungoti tasvika kasipo.Baba
King vakatituka kutiita kunga vanhu
vasina basa ndikafunga mashoko
acho ndorwadziwa"

"Shuwa mainini kana ndiri seni


hangu nyaya yacho haiperi mushe
imi maiti mava ne evidence
vasungisei vanhu ava"ndakadaro.

"Umm evidence yacho haina


kunyatsa kukukora asi tikabata Mai
Talia tikamurova anotaura uya time
dzandamurova anga akuda kutaura
manext door ndivo vazoporonga
nekubata"

Mhamha vakatorana namai Jessy


vakaenda kubedroom
kwavo.Vakanoita nguva vari
ikoko.Tinonzwa knock panze tinoona
iri police paina Mai Talia.

"Officer ndivo vanhu vacho ava" said


Mai Talia vachinongedza ini naAnna.

"Mati vanga vari vatatu umwe wacho


anogara kupi"
"Anogara pano" said Mai Talia.

Mhamha naMai Jessy vanobuda


muroom mavo vachiseka.Vanouya
padoor patanga tiri.Mai Talia
vachiona mai vangu vanovhura ziso.

"Aah chipoko ichi maihweeee mhaiii"


vanodaro vachivhura speed.

Vanomhanya vachidonha vosimuka


mkadzi mkuru anomhanya ndinoona
mapurisa ava kucheuka cheuka
kutarisa kuti chii asi havana
zvavakaona.Anna akagara pasi
akatanga kuseka.Mapurisa vakati
Mai Talia vanenge vanopenga chete
vakabva vatodzoka.

Takapinda mugore idzva


tikapembera tiri pamba pamai
vangu.Zvikoro zvakasvika
pakuvhurwa Anna akatanga kuenda
kuchikoro.

"Ko Sasha auya kuchikoro here


nhasi" ndakabvunza.

"Haana uyu hanzi akaenda


Botswana ndiko kwaava kudzidza
here tangonzwa nemakuhwa"

"Ko Nassey ari sei hake ndava


nenguva ndisingamuoni" vakadaro
mhamha.

"Ari bhoo hake uyu"

"Ko sei asingachauye pano


makamuita sei" vakabvunza.

"Mhamha anouya uyu kungoti


mopesana"

Maresult edu akabva anzi


abuda.Ndaifana kunomatora
mangwana acho apa ndaitya
sei.Ndakatanga kufunga ma exams
acho maomero anga
akaita.Makuseni ndakarova
mucheno wangu.Ndakaenda
kuchikoro ndakasvika riri break saka
ndaifana kumira kusvika
ripere.Nassey naAnna vakabva
vauya pandiri.

"Wakapasa here" akabvunza


Nassey.

"Handisati ndatora"
Pakapera break ndakapinda mu
office muya.Ndichitambidzwa
maresult angu ndakavhura
ipapo.Zvandakaona hazvisizvo
zvandanga ndakatarisira.......

*#thanks nemacomments#*

WATCH OUT FOR CHAPTER 24


*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 24*
*Mai Talia*

Pandakaona chiso chamai Kingsley


ndakarohwa
nehana.Ndakambofunga kuti
zvimwe ndikurota ndakaziva kuti
vamuka chipoko chete.Ndakatiza
ndakananga kumba.Ndaimhanya
ndichicheuka kuona ndaisateverwa
here.Ndakasvika nekuzvikiyira
mubedroom.
"Ko chiii Mai Talia" vakabvunza Ba
King.

"Nda...nda...nda...o...na Mai
Kingsley" ndakadaro.

"Are you joking ka"

"Clemence handisi kujoker


vakupfuka chete"

"Unonyepa vakadii kupfuka makore


apfuura ayo vakupfuka izvozvi"
vakadaro Ba King vaisandinzwisisa.

Moyo wangu wanga usisina


kugadzikana kutaura
chokwadi.Ndaida kupedzerana
namai Jessy vanozviita kunga
vakangwara.

"Mwana wako akasiya apanya


mawindow zvino poitwa sei"
ndakadaro.

"Kingsley ane zvakaudzwa nehure iri


Mai Jessy apa ndikuenda
kumapurisa ndiye munhu wandikuda
asungwe afuratidza moyo wemwana
wangu King ndomuziva ari munhu
asingadi zvehondo"
"Ngavasungwe vese vari vatatu
nekasikana kaya"

"Kingsley is my son hazvichinje


handimushoori akanyeperwa saka
apa Mai Jessy nekasikana kaya
vanofana kusungwa"

"Ehe tichanyepa kuti takabirwa


vosungwa then wozotaura
naKingsley odzoka" ndakadaro.

Zvekuti Kingsley adzoke


ndakangotaura kufadza murume
wangu.Ndaida asungwe ndine
chigumbu naye shuwa munhu
kundirova.Iye Clemence kuda
mwana akarova mkadzi
wake.Ndakaona Talia akamira
padoor.

"Iwe futseki uri kutsvagei ipapo hee


dai wasvika tisina kupfeka waiita sei
next time unatanga waknocker"
ndakadaro.

"Ndozvamunonditukira here
mhamha ndanga ndauya ndichida
kubvunza kuti makazonditengera
here bag nyowani sezvo takuvhura"

"Bag rako mangwana rinenge


ravapo"said baba King.

Takabuda naBaba King kuenda


kumapurisa tikasangana nemapurisa
aya andasiya kumba kwana Mai
Jessy.

"Amai tichambokutorai kuenda nemi


kukamba munonyepera kupenga"

"Sorry asi ndine zvandaona pamba


ipapo"

"Ruregerero vakuru mkadzi wangu


anorwara nepfungwa uyu
musamutevedza pamba pangu
papwanywa ndikabirwa mari yose
asi vanhu vacho tavaona"

Takaenda pamba pacho vakaona


tikabva taenda kuna Mai
Jessy.Takasvika pamba pacho
pasina munhu.Mapurisa aya vakanzi
vaizodzoka manheru.

Zvikoro zvinovhurwa tikanzwa kuti


mapurisa aya akachinjwa
kwekushandira asi vakasiya vaudza
vakasara nyaya.Vanga vasina hanya
nazvo vanga varipo.Takaisa
pressure vakazoenda kumba kwana
Mai Jessy vakasvika varipo asi
chipoko chamai King handina
kuchiwana.

Mai Jessy naAnna vakatorwa


vakaendwa navo kukamba.

"Officer vanhu ava vanoda kurova


vanobvuma mhosva yavo" said
Baba King.

"Ndiri kurwadziwa nemari yangu


yakabiwa" ndakadaro.

Baba King vakabva vabuda kuenda


kubhawa ndikasara papolice paya
ndaida kunyatsa kuona vanhu ava
vachirohwa.Pasina nguva ndinoona
Kingsley achipinda kumashure
kwake kuna Mai vake.Vakasvika
kumira padoor vakanditarisa zvekuti
hana yangu yakatanga kurova ko
ndaitizira kupi ivo vakamira
padoor.Vakafamba kuuya kwandiri
zvekuti ndakabva ndashaya simba
ndikabva ndadonha ndiye zii
ndakadaro.

Ndakazopepuka ndadirwa mvura


ndikaona Mai King vari kutaura
naAnna kaichema.
"Chipoko icho maihweeeee"
ndakabuda ndiri mufull speed
ndakananga kubhawa kwainwira
baba King.Ndaidonha ndichisimuka
ndakasvika kupinda vanhu
vakaramba vakanditarisa
zvekushamisika.Ndakaenda panga
pakagara murume wangu.

"Zvinhu hazvina kumira mushe baba


Talia chipoko chiya ndachiona"

"Why uchichiona wega


ngachindivinge inini ndopedzerana
nacho"
"Ndava kutya ini dai tambosvika
kumaporofita tambonobatsirwa"

"Haiwawo usatya zvisina basa"

Baba Talia vakabva vabuda


neni.Takananga kumba apa bhutsu
ndanga ndisisina ndaifamba
ndichicheuka cheuka.Takasvika
kumba tikaona Mai King apa vanga
vakasunga chiso.

"Kana mukasaenda kunobudisa


mwana wangu nemunin'ina wangu
vamasungisa pano hamupagari
ndinopika namai vangu vari pachuru
this is my house" said Mai King
vachifamba kuuya pedyo nesu.

Ndakaona baba Talia vava kudedera


vakavhura ziso vachifamba kudzoka
kumashure.Ivo mai King vaifamba
kuuya kwatiri ndakazongoona
ndava ndega baba King vavhura
speed kutiza.Ndakabudawo
ndakananga kumba kwevamwe
Pastor vaizikanwa nekunamatira
vanhu vachipora.Hameno Baba King
vakatiza vakananga
kupi.Ndakasvika kuwana pagate
pavo pakalokwa.Ndakapererwa
ndakatoziva vari kuchurch chete
ndiko kwandakaenda.

Ndakasvika kuwana pachurch pacho


pakavharwa futi.Ndakasimuka
ndikatevedza road kuenda kumba
kwasis vangu Mai Jabu.Ndakasvika
varipo ndakasvika kuzviwisira
mumakumbo avo.Sis vangu ava
ndivo vekundipa matips
akandibatsira kusvika ndawina Baba
Kingsley.

"Ko mwana wamai chii chaitika"


"Mai Kingsley vapfuka sis"

"What"

"Shuwa Mai Jabu, vatoti hatipagari


pamba kana tisina kubudisa Anna
naMai Jessy vatasungisa"
ndakatssnangura zvese zvaitika.

"I think munhu uyu haana kufa chete


pane zvakaitika" said Mai Jabu.

"Akafa uyo sis"

"Saka imi endai munobudisa mai


Jessy na Anna vacho then
tozotangira ipapo"

"Ehe but ndakutya kufamba kunze


uko"

"Mai Talia be strong usatya zvisina


basa iye baba Talia igwara atizei adii
kumira hanty ndiye akauraya ega
mkadzi wake here"

"Remember ndini ndakamubika saka


apa Mai King vauya nehasha"

"But pavati budisai mwana wangu


Anna ipapo hapana kundijekera
mwana uyu vakamuhura nani nekuti
munhu wandakatuma arepe Mai
King madays aya anoti hapana
zvakazoita"

"Nyaya iyo chimboisiya tozoitaura


apa tofana kuronga kuti Mai Jessy
naAnna vabude then tozoenda
kumaporofita toudzwa zviri kuitika
but inini ndine kafeeling kekuti Mai
King havana kufa"

"Vakafa kani"

Mai Jabu vakafonera Baba


vaKing.Baba King airatidza kuti atori
mubhawa anga akadhakwa.Sis
vakandinyengerera kuti tiende
kumapurisa kutaura chokwadi
ndaitya.Takazoenda kumapurisa
nyaya yacho yakambonetsa asi Mai
Jabu vakazobvisa mari ikapera.

"Mari yangu ndikuda uzondidzorera


mai Talia" said Mai Jabu.

"Game yamatanga hamuipedzi


tichaona kuchawira tsvimbo
nedohwe" said Mai Jessy.

Ndanga ndakayeva Anna ndakaona


akafanana naMai King.Akada kuita
mazera amwe chete nana Talia
hameno.

"Mai Jessy dzikama otherwise


tinokudzosera mukati umu" said Mai
Jabu vaiva nenharo.

Mai Jessy nehasha vakada kumutsa


fight dai vasiri mapurisa vakazobata
vakarwa vaviri ava.Ini ndanga
ndakutya zvemaoko ndaisazvigona
kutaura ndokwangu asi pana Mai
Jessy ndaisasvika hangu kungoti
vaitemba nechipoko chamai King dai
zvisizvo takapedzerana.
Kingsley anotora Mai Jessy naAnna
obva aenda navo haana kana
kumbondimhoresa.Ava kunganwa
kuti ndini ndakamuchengeta
achauya achinditsvaga chete kana
agumburana namai Jessy vake.

"Apa takuenda kumba"

"Aah kumba handisvikeko nhasi


ndorara kumba kwenyu" ndakadaro.

"Mai Talia unoda vana varare vega


here"
Mai Jabu vanga vane nharo
takasvika pamba ndikaona Talia
naTino varipo vachidya
zvavo.Vairatidza kuzvifarira havo.

"Pane mkadzi ambosvika pano asi


akafanana naAnna"said Talia.

"Ati chii"

"Apinda mumba asina kana


kuknocker ndamuona akuyeredza
misodzi paabuda handina kuzoona
kuti afamba sei"
Ndakaenda mumukitchen ndikatora
salt yemagodo ndikamwaya yard
yese.Mai King vakuda kutinetsa.Mai
Jabu vakaoneka vakati mangwana
kuseni vachauya vonditora tienda
kumaporofita.

Manheru akasvika Baba Talia


havana kuuya vakati vari kumba
kweshamwari yavo.Ndakapopota
pafoni ipapo ndakaziva akutiza
chipoko chamai King.Manheru acho
ndakarara naTalia hapana
chandakaona.
"Maresult akabuda ema "A" Level"

"Hiii shuwa ko Kingsley akapasa


here"

"Aah handina kumbomubvunza ini"

"Enda unobvunza"

"Okay mhamha"

Kakageza kakubuda ndikakaudza


kasanganwa
kubvunza.Kachingobuda Tino
akauya kutorwavo necombi
yekuchikoro kwavo.Ndakasara
ndega ndanga ndakutya ndidzo time
dzakasvika Mai Jessy vari vega.Apa
ndakazviudza kuti ndofana
kupedzerana navo vangazondiona
seshiri....

*#drop your comments#*

WATCH OUT FOR CHAPTER 25


*LAMP OF MY JOY*
_Written by *King Lee*_
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
+263798183445

*CHAPTER 25*
*Kingsley*

Zvandakaona hazvisizvo zvandanga


ndakatarisira.Ndakambofunga kuti
zvimwe ndapihwa maresult asiri
angu.Ndakabudisa misodzi nekuti
ndanga ndakafoira apana
chandakabuda nacho.Hongu
ndaiwanza vasikana panguva yacho
asi nguva yekuverenga ndaizvipa ko
sei ndakafoira kudai.Kana mamwe
mateacher aindidzidzisa
vakatoshamisika nemaresult angu
vamwewo ndivo vaiti chaunodyara
ndicho chaunokohwa nekuti mwana
uyu aiva nenyaya dzake
dzevasikana.Ndakarwadziwa
kusvika pamoyo chaipo ndakasvika
kumba mhamha ndivo
vakazondisimbisa.Ndakatanga
kudemba kuti dai ndisina kuenda "A"
level yacho zvaiva nani.

Mazuva akafamba ndipo pakatanga


hondo dzana Mai Talia.Ndipo
pandakazoona kuti Mai vangu
vanotsamwa.
"Pamba ipapo havasi kuzopagara
chete vanhu ava vakuzoenderera
mberi manje" said mhamha.

"Yaaa hamuchaoni here ndokugona


manje ini ndikuda kupedzerana
namai Talia"said Mai Jessy.

"Vanhu ava dai vasungwa nekuti


hatizive zvavari kuronga" akadaro
Anna.

"Mira ndinoda kuzvambaradza Mai


Talia ndiye achataura zvese"
vakadaro Mai Jessy.
"Ndatoona kuti kunyarara
sometimes hakubatsire
vanozondiona sendakapusa
vakakwidza hasha dzangu
pakukusungisai" said mhamha.

Takarara makuseni Mai Jessy


vakamukira kubuda havana kutaura
kuti vari kuendepi.Ndakasara
namhamha sezvo Anna anga
atoenda kuchikoro.

"Mai Talia na baba vako vari


kufunga ndiri chipoko ndamboseka
pavakatiza kunyanya Mai Talia iiih
chipoko chinotyiwa paya"

"Aaah nhasi munofana kuvavinga


manheru"

Ndakabuda ndikati rega


ndimbosvika pamba pamudhara
ndikaona panze pane huruva vanhu
vachirovana.Ndakatarisisa ndikaona
vari Mai Jessy naMai Talia
vachiumburudzana pasi.Handina
kubata ndakapinda mumba
mubedroom ndikatora hembe
dzamai Talia ndichibuda
kunodzikandira kunze.Ndakatora
chinhu chese chinonzi chamai Talia
ndikachikanda panze.Nemapoto avo
avakatenga ndikazviisa panze.Mai
Jessy naMai Talia vanga vamira
kurovana vanditarisa kuti ndaizama
kuita sei.

"Nguva yenyu yekugara pano


yakwana torai mikwende yenyu
mubve pano" ndakadaro.

"Iwe mwana wehure hapasi pamba


pako pano wanzwa unondiziva
mushe here inini" said Mai Talia.
"Mwana wehure ndiani" ndakasvika
pavari ndikavapa mbama vakadonha
pasi.Ndidzo nguva dzakasvika Mai
Jabu, sis vaMai Talia.

"Magona matouya takurai zvinhu


zveumwe wenyu morove
pasi"ndakadaro.

"Kingsley hauna hunhu unoziva mai


Talia ndivo vakakuchengeta
wovabata rough kudai manje hakuna
kwanoenda hausi baba vepano
Clemence ndiye ane simba
rekudzinga mwana wamai vangu
pano"

Takatanga kupopotedzana naMai


Jabu vanga vane nharo.Ndakavapa
mbama vakadzorerawo zvinova
zvakandipa hasha.Ndakavarova
pamwe chete naMai Talia.

"Kingsley ndinobva hangu asi pliz


ndinoda kumirira vana vangu"said
Mai Talia.

Mai vangu vakabva vasvikawo


vakachena.Vakamira padoor sezvo
tanga tiri mudinning.Mhamha
vakafamba kuenda kuna Mai
Talia.Ndakaona Mai Talia
vakudedera ndikazotarisa ndikaona
vatozviitira wet ndakaseka.Mai Jabu
vakabudawo vari mufull speed.Mai
Talia vakabatwa naMai Jessy.

Manext door achiona Mai vangu


vanotiza kupinda mudzimba
dzavo.Mai Jessy vaibva vabvaruka
nekuseka.Mai Talia takazoona
vatofenda varara pamawet avo.

"Mkadzi uyu ndiye akaparadza


marriage yangu akashandisira Ba
King mushonga chete ndinoda
ambonzwavo marwadzo ndiye
achaudza vamwe kuti varume
vevamwe havatorwi"said mhamha
vachiratidza kubatikana.

"Ipapo manje panoda evidence


yakasimba"

"Hazvishamisi anogona akasunga


pfungwa dzemwana wangu kuti
afoire ko vana vake varipi"

"Vaenda kuchikoro manje manje


vanenge vauya" ndakadaro.
"Talia wacho tinofana kumbokarova
kanogona kachiziva mabasa amai
vake"said Mai Jessy.

"Vana ava handina chitema navo


havazive pakatangira nyaya"
vakadaro mhamha.

Ndinodira Mai Talia mvura vanobva


vamuka vachiona mhamha vangu
vanotanga kutya.

"Ndicharamba ndiri mumaziso ako


kusvika wataura chokwadi"
"Sorry Mai King ndiregerewo
ndinobvuma ndakatadza ndakabika
Baba King kuti vandide zvikafamba
asi havana kukuramba ndipo
pandakatuma murume kuti
anokurepa ndikasendera Ba King
message ndichivaudza kuti ndaona
mkadzi wenyu ane chikomba
chandaida kuti urambwe udzingwe
kwete kuuraiwa" said Mai Talia
vachichema.Mai Jessy vaitora video
zvavo ndikatarisa kudoor ndikaona
Talia akamira ipapo achichema.

"Mhamha ndaisaziva mune moyo


wakaoma kudaro" said Talia.
Mhamha ndakaona maziso avo
ajenga misodzi vakabva vangobuda
vakananga kumba vakasvika
kuzvivharira muroom
mavo.Takasiyawo Talia naMai vake
tikatevera kumba.

"Apa ataura ega Mai Talia tikaenda


kumapurisa tinobudirira anokwanisa
kuvharirwa akanyatsa kurohwa
achataura zvimwe zvaasina kutaura"
said Mai Jessy.

Mai Jessy vakapinda mubedroom


mamhamha vakanoita nguva
varimo.Ndipo pakasvika Anna
achizvifarira hake.

"Ko mhamha varipi"

"Varimo"

"Ko hamusi kufara chii chaitika"

Anna ndakamuudza zvese zvaitika


akaratidza kurwadziwa.Mhamha
vakazouya mudinning waitoona kuti
vabva kumbochema maziso avo
aiva red.Izvi zvainyanya
kundirwadza kuona mai vangu
vachichema.
"Mai Jessy video riya ratidzaiwo
Anna" ndakadaro.

Mai Jessy vakapa Anna foni yavo


Anna haana kuwana video yacho.

"Riripi" akabvunza achidzorera foni


kumuridzi.

"Watarisa here"

Mai Jessy vakabata foni yavo


vakavhura maziso.

"Aah Maiwee" said Mai Jessy vabata


musoro nemaoko ese.

"Chii futi"

"Paya ndaiti ndikutora video zvipiko


ndakanganwa kubaya pekutora
video pacho"

Mai ava vanoshuta mafirimu chaivo


ndakapererwa.Ndakashaya
nechekutaura panguva iyi.

"Hazvinetsi hanty tasiya variko here


mirai ndino recorder rimwe"
vakadaro Mai Jessy vachisimuka.
Takabva tabuda tikasiya Anna
naMhamha.Takasvika pamba paina
Talia naTino chete.

"Ko mhamha venyu vaendepi"

"Havana kutaura ava asi vabuda


nemabag avo vangoti
vachazodzoka" said Talia.

"Eish pakaipa"

"Ko mkoma makapasa here"


akabvunza Talia.

"Ndakafoira"
"Ndazvinzwa zvazara chikoro chese
ndaisekwa hanzi mkoma vako idofo
havana chavakabuda nacho apa
Tatenda anonzi akabuda ne
5points"said Talia.

Mashoko akandirwadza ini


kukundwa naTatenda.Tatenda
kubva tiri bhuku 1 haana
pakambondikunda ndakafunga kuti
mapaper angu akatadza kumakwa
mushe.Takadzoka kumba
ndakapusa kana kuonana naNassey
ndanga ndakutonyara.Zvagara
ndizvo zvazviri muri maceleb
pachikoro maresult musi waanobuda
vanhu vanenge vachida kunzwa.

Muroad tinosangana naCharity


wandaimbodzidza naye akabva
andiratidza maresult ake.Aibva
kunomatora apa aifara sei anga ane
13points.

"King ishuwa here zvandikunzwa


nevanhu"

"Shuwa chii"
"Hanzi apana chawakabuda nacho"

"Ehe ichokwadi" ndakadaro.

"Wazviona ndaikuudza madays aya


kuti verengai muchindiita kunga
benzi chaunodya ndicho
chaunokohwa"

"Eeeh young girl usada kugumburisa


mwana wangu rova pasi tione" said
Mai Jessy.

Charry akabva atoenda hake.Nyaya


iyo yaindidya moyo.Takasvika
kumba vanhu vakadya ini
ndakaramba ndaiva nestress.Mai
vangu vakabva varamba kudyawo
pavakaona ndaramba.

"Kingsley ndine kafeeling kari


kundiudza pane zvakaitika inini
mkadzi uya anonzi Mai Talia
handimuchenesi" said mhamha.

"Eeh zvakatoitika zvikapfuura


takufana kuronga zvemberi
tisasaramba tichitarisa
zvekumashure"said Mai Jessy.
Takazotaura nyaya dzimwe ndanga
ndakutofunga
Nassey.Ndakamufonera tikatanga
kutaura tese
aingondisimbisa.Mangwana yaitova
weekend vanhu vakamukira zvavo
kuita basa repamba.

"Talia anoziva kuna mai vake chete"


said Anna.

Vaingotaura nyaya dzavo vari


vatatu ndaiva zii.Mhamha
vakanditora vakabuda
neni.Takatanga kufamba neroad.
"My son usafungisisa
zvinondirwadza kana uchida
kudzoka kuchikoro ndokudzosa"

"Aiwa mhamha zvekudzoka


handichadi but ndikushaya chii
chakaitika"

"Siyana nazvo mwanangu sezvo


wakapasa "O" level ndichakuitisa
kacourse kako usambochema
mwanangu"

"Okay mhamha"
Muroad takabva tasangana
namudhara akatopera
nedoro.Pavakaona mai vangu doro
rinenge rakapera chete ndakaona
vavhura ziso...

*#thanks nemacomments*

Thanks kune vari kusapota munyori


nedata *thanks Mai TJ & Linda*
Grup 17 isai macommentskwete
mathanks

WATCH OUT FOR CHAPTER 26


*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
*CHAPTER 26*

*TALIA*

Pamba zvinhu zvanga zvisina


kumira zvakanaka.Mashoko
akataura mhamha akandibata
pamoyo ndaisaziva kuti vane moyo
wakaipa kudaro.Ndivo vakaparadza
marriage yaMai Kingsley.Zvese
zvavakataura ndakazvinzwa
ndakaenda muroom mangu
ndikachema ndirimo.Ivo mhamha
vakada kutaura neni ndikava ignore
vakatanga kundituka.

"Hapana chaunonyarara
ndimbonzwa kuti wafumura
nezvenyaya iyi kune umwe munhu
ndinokusvina wanzwa" said
mhamha vakanditarisa.

"Ndisvinei makamirirei"
"Talia I'm your mother handide
zvekupindurwa nemwana
wandabara"

Ndakabva ndanyarara shasha


ikabva yatanga kurongedza mabag
ayo.Vapedza kurongedza vakauya
pandiri vakandikandira mari.

"Ndava kuenda asi ndichazodzoka


tinenge tichitaura pafoni
ndimbonzwa wapinza vakomana
pano" ndiwo mashoko avakataura
havana kumirira reply yangu
vakabva vatobuda.Tino ndiye
akavachemera achida kuenda navo
asi vakaramba.

Ndiko kuenda kwakaita mai vangu


tikasara tichiona nhamo
pamba.Takagumisira tadzingwa
kuchikoro sezvo mari yefees yanga
isati yapera
kubhadharwa.Ndainyatsa kuziva kuti
mhamha vakapihwa mari yedu
yefees ndikushaya sei vasina
kupedza kubhadhara.Apa mudhara
aisabatikawo taingonzwa kuti
kubhawa kwavanonwira
vanowanikwa.
"Tino ndiri kudzoka ndichamboenda
kwamaiguru Mai Jabu" ndakadaro.

"Okay sis"

Ndakabuda kuenda kwaMai Jabu


ndiri muroad ndikabva ndamiswa
neumwe mkomana wandisina
kunyatsoziva nekuti anga akapfeka
maglass necap.Anga akachena
zvake.Pakabvisa maglass necap
ndakashamisika kuona ari Tatenda
ndakavhunduka.

"Long time haaa wakura unoziva


ndanga ndatokukanganwa ipapa ko
Kingsley aripi"

"Haa siyana neni wagona wauya


wega unoziva mhosva hairovi"

Ndakabva ndatanga kufamba


ndikamusiya akamira
ega.Ndakasvika pamba pamai Jabu
ndikamira paveranda ndikanzwa
mavoice evanhu vaitaura mumba.

"Haaa mupofita uya haana kunyepa


here Mai King vakafa, zvake
zvaatiudza kuti vapenyu
ndinozviramba" said mai vangu.
"Ini ndatova confused nekuti mamwe
maporofita anonyepa pandakaona
chipoko chamai king hana yakarova
chandoziva hana yangu hairoveri
pasina" said Mai Jabu.

"Haaa apa ndafunga kuenda kana


kun'anga mweya wamai King
tinofana kusairira kuna Gogo
Tsepelo"said Mai vangu.

Ndakayeredza misodzi ndaisaziva


kuti mai vangu vane moyo
wakashata kudaro.Regai gogo
vavenge Mai vangu.Ndaiti zvimwe
mai vangu vachachinja vakakumbira
ruregerero kune zvavakaita manje
ndoda kuvaratidza kuti ndombonzi
ani.Ndakadzoka kumba ndikasvika
kufonera Gogo ndichivati vauye
hakuna kumira mushe.Vakada
kumboramba asi vakati vaizorara
vasvika.

Gogo vachisvika ndakavamhanyira


ndikavambundira ndikatanga
kuchema.Takapinda mumba
ndikavatsanangurira zvese
zvandakanzwa.

"Tariya uri kuda kunzwa here"


"Gogo ndiri kutaura chokwadi"

"Ukuti Mai King vapenyu ukavaona


unovaziva here"

"Ehe vapenyu asi mhamha nadad


vari kuti vakafa hanty mai Anna
ndivo mai King here" ndakadaro.

"Havasivo Mai King vakafa vakasiya


mwana umwe chete anova Kingisiri
zvana Anna zvawakutaura izvi zvava
zvimwe ungandidaidzira nyaya isina
musoro"
Gogo havana kumbondinzwisisa
vakatanga
kundituka.Ndakarwadziwa vakatoti
vakudzoka mangwana
makuseni.Manheru vakaramba
chikafu chandakabika hanzi
watumwa namai vako kuda
kundiisira mushonga idya wega.

Takadya naTino tikaenda


kunorara.Kuchiedza ndakamuka
ndikaona gogo vakutobuda ndidzo
time dzakasvika baba.Waitoona kuti
pane zviri kuvanetsa.
"Ko makauya rini magona mauya
ndaremerwa ini" vakadaro mudhara
wangu.

"Inyaya yei rwumwana rwako


kundifonera hanzi gogo huyai kuno
hakuchagarike ndauya akutaura
nyambo"

"Gogo makatadza kundinzwisisa


henyu asi ndaitaura chokwadi"

Mai King vakabva vasvika vaina


Kingsley.Gogo vakaramba vakamira
asi mudhara akamhanya kupinda
mumba.Gogo havana kana move
yavakaita vakaramba vakamira
vakatarisa Mai King.Gogo havana
chavakataura ndakaona
vakuyeredza misodzi.Ndakashaya
kuti misodzi yekutya or kufara here.

"Gogo mainyepera kundifarira


muchiziva mune zvamakaita mai
vangu manje ndakuzviziva zvese"

"Ndakaita sei muzukuru mhosva


yandakapara ndeyei" vakadaro gogo
vakatarisa Mai King.

"Yekutadza kundiudza nezvamai


vangu kana kundiratidzawo pikicha
makaoma gogo zvisinei hazvo Mwari
ndiye anoziva ndiye achakutongai
asi dad naMai Talia vanofana
kusungwa"

Hana yangu inorova pandakanzwa


mashoko aya.Vabereki vangu
vakasungwa tinozosara
tichichengetwa nani.King zvake
zvamunakira awana mai vake ko
isusu tichasara nani vabereki
vakasungwa.Hapana patinozogara
namai Kingsley vakatifarira nekuda
kwezvavakaitirwa na mama.

"Shamiso ndiudze chiii chakaitika"


vakabvunza mhamha.

"Mai Clemence muchiri kurangarira


mashoko atakagumisira kutaura tese
here makanditi hure mukatadza
kundinzwisisa mukaterera mwana
wenyu mukati Shamiso ihure uyu
zvingani zvandakakuitirai nhai
mhamha heee nekuti dai imimi
makamirawo neni zvese izvi zvisina
kuitika"

"Ndakazozvituka nezvandakaita
mwanangu ngatitaure nyaya yacho
takagara pasi"
Ndakaona mudhara vakadongerera
nepawindow.Mai King vakaramba
kupinda mumba ndakatora machair
tikagara panze.Mai King vakataura
zvese zvavakasangana nazvo ndipo
pandakabvuma kuti mai vangu
muroyi.

"Clemence akauraya umwe mwana


wangu aiva mudumbu handife
ndakamuregerera chero zviite sei,
imba iyi iri muzita mangu ndoda
kuitengesa ndoendesa mwana
wangu kuchikoro saka apa ndanga
ndauya kuti vabudise zvinhu zvavo
zvese"

"aah asi anga ari twinzi here


Shamiso dzora hasha usaronga
zvinhu wakatsamwa imba iyi dai
waisa muzita remwana wako
Kingsley zvinenge zviri nani pane
kutengesa anofarawo" said Gogo.

Ndakasiya vachitaura nyaya


dzavo.Ndakapinda mumba misodzi
yakazara pamatama.

"Ko iwewe hauna kuenda kuchikoro


nei" vakabvunza dad.

"Ndakanzi ndisauya kusvika mari


yefees yapedziswa"

"Yakapedzwa wani asi havana


kubhadhara here mai vako"

"Dad nditori nestress mai King


vakuda kutengesa imba ino apa
mukuda kusungwa tosara
tichichengetwa nani"

"What "
"dai muri vamwe makumbira
ruregerero mune zvakanaka nyaya
iyi ipere apa mhamha vakuronga
kuenda kun'anga naMai Jabu zvino
mukasungwa tozosara
tichichengetwa nani" ndakaudza
mudhara zvese zvandakanzwa.

"Kana muchiti ndonyepa handei


kumaporofita munoudzwa chokwadi"
ndakadaro.

Mudhara havana zvavakataura


handina kuziva kuti vanzwisisa
zvandataura here.Pandakabuda
panze ndakangoona machair chete
ameno vanhu vanga vaendepi.

"Ndiri kushaya mari yangu ndiani


apinda muno akasiya zvinhu zviri
pese pese"

"Handizive"

"Ndiperekedze kumaporofita kwacho


ndoda kunzwa kuti chii chiri kuitika
ndatova confused"

Takaenda tikabatsirwa baba


vakaudzwa zvese hameno mvura
yavakanwiswa ndikaona vakurutsa
zvinhu zvakaita black.

Ndakabva ndanzi ndimbosuduruka


hameno zvavakasara vachiudza
mudhara.Takaenda kumba mudhara
akasvika kuzvivharira muroom
make.Chikafu chemasikati
akachiramba.Gogo hatizive vanga
vaendepi.

Padoor pakaita knock ndikaona ari


Tatenda.
"Ko King amboripi iwe"

"Handizive"

"Kana uchiti hauzive unorevei"

"Asi haunzwe shona here"


ndakadaro.

"But Talia mazuvano wanaka"

"Point yako iri papi"

"Pakuti wakanaka"

"Ok"
"Asi uri wega kani " akabvunza.

"Ko ukaziva unoda kuita sei"

"Apana kungoda kuziva"

"Ndina mhamha nadad vangu ukuda


kuvaona here ndivashevedze"

"Ooh no mira ndakuenda"

Tatenda akabva abuda akasangana


naGogo.Gogo vakaramba
vakanditarisa havana
chavakataura.Dad vakabuda
muroom mavo vakatanga kutukwa
nagogo.Mudhara vanga vari zii.

"Chisi hachieri musi wacharimwa


ndofunga wanzwisisa zvandataura
Kiremenzi wandirwadzisa une
shuwa kuda kuuraya Mai King irwo
rwukadzi rwako Mai Tariya
rwakakudyisa mushonga wepasi
penyanza chaiwo nekuti
wakadzungaira iwewe pawakaroora
Mai Tariya handina kubvira
ndamufarira waiti ndopenga here"
said Gogo.
Mhamha vakabva vasvika nebag
ravo vachinyemwerera.

"Ko inoise yei yandanzwa ndiri


kugate iwewe Talia une hutsvina
hona masvibiro akaita mumba" said
mhamha.

#drop your comments#


End of chapter 26
*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_edited by Nassey_

*Chapter 27*
*TALIA*

Mudhara achiona mai vangu anoita


hasha.Mhamha vakarohwa takaona
tikaramba takamira vaigona kufa
nekuti dad vairova zvehasha
chaizvo.Takanetseka kubata dad asi
takazobatirana naGogo ndiko
kudzikama kwavakaita.Mhamha
vanga vakungonzwika kuchema
ukuwo mudhara vaitadza kutaura
nehasha.
"Rongedza zvinhu zvako ubve pano
handidi kuona chiso chako futi
ndinokuuraya wanzwa here"
vakadaro dad vakanongedza
mhamha vanga vakagara pasi.

"Save ndaita sei, ko mhosva yangu


ndeyei"

"Ndiwe wakakonzeresa maproblems


ese aya"said dad.

"Maproblems api baba Talia"

"Wakandidyisa waifunga
handizvibate here,ndiwe wakatuma
umwe murume kuti arepe mai King
ukandiudza kuti mkadzi wangu ane
chikomba uriwe wazvironga.Ndiwe
wakasunga Kingsley kuti afoire zvino
wakafara ka kuti maplans ako ese
akabudirira"vakadaro dad vakapora
pora.

"Save muri kundipumha huroyi


here,kana wanga une maplan ekuda
kundidzinga pano kuti usare
uchiroora umwe mkadzi kanganwa
hako pano handibve"

Nguva yese iyi gogo vanga


vakanyarara vachiterera nyaya
dzevaviri ava.Ko dad vakanzwa nani
kuti Kingsley akasungwa namai
vangu.Ndofunga muporofita uya
ndiye akavaudza zvese.Ko kingsley
akaziva chokwadi anoita
sei?.Mudhara vakatora imwe
mboma vakatora mai vangu
kupinda navo mubedroom.

Mhamha vakarohwa zvakanyanya


zvekuti ndanga ndakuvanzwira
tsitsi.Vainzi taura zvawakaita asi
vairamba.Mudhara vakazosiya
mhamha vaona kuti
vangatouraya.Mudhara vakatora
mabag amama vachibuda
kunokanda kunze kwegate.Mhamha
vainotora mabag akandwa kunze
vachipinza mumba.

"Vivian zvangu newe zvapera kuona


ndichiisa mabag kunze kureva kuti
rova pasi pano hapasisina nzvimbo
yako" vakadaro dad.

"Clemence hakuna kwandinoenda


ndinofira pano kana uchida
zvekurova rova hako.Asi ziva kuti
ndine nyaya yako ndinogona
kukusungisa kuti wakauraya
munhu.Talia chii chawakamirira
ipapo enda unotora mabag angu
kunze" vakadaro mhamha.Dad
vakabva vabuda hameno
vakaendepi.Iniwo ndakaramba
ndakamira ndikazoona ndapihwa
mambama matatu ari strong zvekuti
matama angu akasara
achipisa.Ndakatanga kuchema
ndakafamba kuenda kunotora
mabag acho asi gogo vakandimisa.

"Tariya gara hako pasofa apa,iwewe


Mai Tariya mwana aita sei
waunorowa usada kupedzera dzako
hasha pamwana" vakadaro Gogo.
"Ko imimi marwadziwa nei
heee,mwana wangu uyu ndoita
zvandoda naye"

"Zvauri kuita izvi uchademba


mangwana ndafara kuti mwana
wangu akuziva hunhu hwako nguva
yawakatonga pano yakwana
muroora wangu akudzoka pano
unopabva chete"

"Muroora upi hakuna umwe mkadzi


anouya ndiri pano izvozvo
ndaramba.Kana zvirizvo zvamuri
kuronga nemwana wenyu
kanganwai"
"Mhamha ko mukabvuma mhosva
yenyu mune zvakanaka munobvei,
munoda kuzobvuma mavharirwa
mujeri"ndakadaro ndakamira kure
navo.

"Talia handidi kukunzwa uchipindira


nyaya dzangu ndinokurova.Baba
vako ndivo vangatosungwa kwete
inini handina kuuraya munhu"

Ndakaona kuti ndikaramba ndiri


pamba apa taizogumisira tatukana
chete namai vangu.Ndakafamba
zvangu ndichiswatudza makumbo
muroad ndikaona Tatenda
akunditevera.Kutaura chokwadi
mkomana uyu aindisvota
hake.Kubva madays anga achida
kurepa Anna ndakabva
ndamuvenga.

"Iwe ko Sasha aripi" akabvunza.

"Ari kuBotswana"

"Hoo saka apa uri kuendepi"

"Kunei newe kwandiri kuenda,


iwewe ukaramba uchindinetsa
ndichaenda kumapurisa"
pandakadaro akabva amira.

Ndakasangana nevamwe vasikana


vandinodzidza navo tikatandara
kusvika kwasviba.Ndakadzoka
kumba kwasviba ndikasvika
mhamha vachibika.

"Uri kubvepi watova nevakomana"


vakadaro mhamha.

"Mai Tariya kana uchitaura


nemwana taura naye zvakanaka
kwete kutungamidza hasha unaona
kuti hasha dzako dzichaita kuti
urambwe kana kutadza kufarirwa
nevana vako"

Mhamha havana kupindura


ndofunga mashoko agogo
akanogara pamoyo pavo.Gogo
Tsepelo ndakatanga kuvafarira
ndakaona munhu ari free.Mhamha
vakapakura chikafu gogo vakaramba
kudya.Apa ranga riri sadza
nechicken ndakarambawo kudya
zvinova zvakashamisa mhamha
vangu.

"Zvino mese zvamaramba chikafu


madii kutaura ndisina kuisa share
yenyu"

"Ko wambotibvunza here nhai hanty


wangoita zvemusoro wako"

Dad vakabva vasvika vakangonanga


kubedroom kwavo.Vakabudisa
zvinhu zvamhamha zvese
mubedroom mavo.Mhamha vakabva
vazviisa muroom yaimboshandiswa
naKingsley.Mhamha vakatanga
kurongedza hembe dzavo.Gogo
vakaenda kunorara ndikasara
ndichiona TV.Ndakaona mhamha
vabuda vachimwaya mwaya mvura
mudinning nepanze.
"ko imvura yei yamuri kumwaya"

"Ko unei nazvo"

"Mhamha tsvagai Jesu nguva


ichiripo zvese zvamuri
ku....."handina kupedza kutaura
ndakurohwa.

"Dad ... Dad...dad" ndaidadzira.

Vakabva vauyawo dad vakabata mai


vangu vakavabudisa kunze vakabva
vakiya door.Ndakaudza mudhara
zvese zvaitika vakashamisika
nazvo.Dad vakatora hembe
dzamhamha vakakanda panze
vakabva vakiya apa aiva manheru.

*Kingsley*

"Gogo Tsepelo munofana kuva


respecta ndigogo venyu muri
kuzvinzwa here Anna"said mhamha.
"Gogo vaya handina chitema navo
ndafara kuti ndina gogo"said Anna.

"Kana ini ndovafarira kungoti


ndanga ndambovatsamwira kana
imimi mhamha vanokudai nekuti
vaigara vachikurumbidzai zvinova
zvaibhowa Mai Talia"

"Shuwa here wakagona


wakavaregerera chimwe chinhu
handidi anopindira nyaya dzangu
nababa venyu hakasi kekutanga
kuzvitaura izvi"said mhamha.
"Okay mhamha" takadaro naAnna.

Ndanga ndane mazuva ndisiri


kuonana naNassey.Pafoni taitaura
zvedu everyday, ndakazosender text
ndichiti kana apedza malesson
arambe ari muclass
mavo.Ndakaendako ndakarova
mucheno ndakasvika achiverenga
anga ari ega.Achindiona
anondimhanyira ondijambira zvekuti
dai ndisina kuzobalanca
ndakadonha.Mwanasikana akafara
waingoona nenyemwerero
ndakamusimudza ndikamugarisa
pamusoro pedesky.Ndikavhura
makumbo ake ndikapinda pakati
pawo ndakamira.

"Ndanga ndakusuwa Nasley"


ndakadaro.

Tanga taita chicompination


chemazita.Vazhinji vari murudo
vanowanzwa kuzviita kubatanidza
mazita avo kuti rite 1.

"Hiii kana neni daddy drug" akadaro


achinyara nyara.Ndakabva
ndaramba ndakamutarisa
mumaziso.Ndofunga takaita
kanguva takatarisana.

"Everytime I look into your eyes I


see my paradise"ndakadaro.

"Umm really"

"Yes honey"

"Hubby can I tell you something"

"Yes"

"You are the only one person I want


to be with for the rest of my life and
grow old with.I love you from the
bottom of my heart.My Daily Drug
Kingsley waNacistacia" said Nassey
akanditarisa.Ndakaendesa muromo
wangu pane wake tikatanga
kutsvodana.

"I will always love you Nasley until


my heart stops beating" ndakadaro
ndikabva ndatanga kumukissa
zvenzara.Ndanga ndaisuwa kiss iyi
ndakatanga kubata zvidya
zvake.Nassey ndiye akazogona
kuzvicontrolla dai zvisizvo takaita
zvimwe muclass umu.Mafeelings
angu akanyanya kune mwana
uyu.Kunze kwanga kwatosviba
ndikaona akutya ndakaziva aitya mai
vake chete.

"Unovati ndasara ndichiverenga


naAnna"

"Ummm okay daddy asi nhasi


ndafara"

"Wafarira kiss ka"

"Aaa tsek wako"

"Saka chii chawafarira"


"Kuti wambondipawo time yako
nekuti haubatike"

"Hooo usatya babe ndichaita zvekuti


ndibatike chandoda kukuona
uchifara"

Ndakaperekedza Nassey
ndikamusiya pagate
pavo.Ndakamhanya kuenda kumba
ndikasvika Anna naMhamha
vachitaura nyaya.Mai Jessy vaiva
vatokotsira vari pasofa.Mai Jessy
vanga vava kusimba nekutsvikira
ndakambofunga kuti zvimwe vane
nhumbu.Ko vangaita nhumbu yaani
ivo vakasiyana nemurume
wavo.Vakabva vapepuka vakaenda
kunorara kuroom kwavo.

"Asi mainini vane nhumbu kani"


ndakabvunza.

"Ndambozvitaurawo asi mhamha


vandirambira" said Anna.

"Saka munhu akasimba anenge ava


kunzi ane nhumbu here
masymptoms enhumbu munomaziva
here" vakadaro mhamha.
"Ehe ini ndomaziva nhumbu yavo
inoda zvevhayorenzi" said Anna
achiseka.

"Ucharohwa iwewe"

"But mom makafanana naAnna"


ndakadaro.

"Yes like mother like daughter" said


Anna achiseka.

Takatandara ndofunga kusvika


pakati pehusiku chaipo.Mhamha
munhu anofara ndakavaona hangu
kana nyaya dzavaitiudza dzacho.

Takanamata pamwe chete tikaenda


kunorara.Mhamha vairara naAnna
mazuva aya.Anna wacho anga
akutoyema kubva zvakaziva kuti aiti
tete vake ndivo mai
vake.Ndakanonoka kumuka ko
ndaimhanyirei sezvinonzi ndinoenda
kubasa.

Ndakamuka nekudya kwakubuda


sezvo anga ava
masikati.Ndakazoshamisika kuona
Tatenda akamira naNassey asi
vairatidza kuti vaisawirirana.Nassey
anga ari mu uniform ndofunga vanga
vari palunch.

*#drop your comments#*

Watch out for chapter 28


*LAMP OF MY JOY*
_Written by *King Lee*_
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_

*CHAPTER 28*

*Nassey*
Pandakanonoka kuenda kumba
ndina Kingsley ndakasvika mhamha
vava worried.

"Ko wanga uripi"

"Aaah mhamha sorry tanonoka


tazovarairwa tichiita magraph
naAnna"

"Hooo next time munouya kuitira


pano kumaclass uko hakusi safe
manheru" said mhamha.
Ndiwo manheru akafona Dumie
achiudza mhamha kuti ari kuuya
next week.Zvakandinetsa kuti
munhu anga ari kuno December
akudzoka futi kwakanaka here.

"Ko kwakanaka here mhamha"

"Haaa ane zviri kumunetsa haana


kutaura hake kutaura" said mhamha
vari worried.

Ndakambofunga kuti zvimwe basa


rake rapera.Ndakaenda online
ndikamusendera message anga ari
offline.Ndakadya asi mhamha
pfungwa dzanga dzava
kure.Ndakaenda kunorara zvangu
Dumie akabva andifonera.

"Mwana wamai vangu uri sei"


akadaro Dumie.

"Bro tell me chii chiri kuitika izvozvi


mhamha vatova worried"

"Nassey unoziva ndikushaya kuti


ndoita sei handisati ndava ready
kuita baba ndikushaya
ndichatarisana sei namhamha"

"Muri kurevei kana muchidaro asi


makamitisa kani taurai pane nyaya
kani"

"Yes ndakanganisa mwana


wevanhu unoziva zvakaitika ndisina
kuzvitarisira"

"Hiiiii asi why bro asi munhu wacho


ndewe ikoko here"

Foni yakabva yatokata asati


andipindura.Ndakambofunga kuudza
mhamha nyaya yacho asi
ndakazosiyana nazvo.Mangwana
ndakamukira kuchikoro semazuva
ese.NaAnna tanga tisingasiyane
tainyatsa kunzwanana.Akandiona
ndichitaura nevamwe vakomana
waimuona asvika oti mukutaura
nyaya dzei nemuroora wangu.

Pandakabva kulunch kumba


ndakashamisika kuona
Tatenda.Akandimisa ndakamira
ndaida kunzwa nyaya yake.
"Hesi Nassey"

"Ndiri bhoo"

"I know mandivenga nekuda


kwezvandakaita ndanga ndauya kuti
sorry kuna Anna"

"Saka uri kuona ndiri Anna here"


ndakadaro.

"Uri shamwari yake ndataura newe


kuti umushevedze"

Hameno Kingsley akasvikawo


nguvai ndakaona atomira paside
pangu ari zii.Tatenda akashamisika
kuona Kingsley.Akabva atarisa pasi
ndofunga kunyara here hameno.

"Nassey uri kuitei ko Anna aripi"


akabvunza Kingsley.

"Ndiri kubva kulunch ndatosangana


naTatenda ati ari kuda kuona Anna"

"Tatenda leave my lil sister alone


pliz handidi zvehondo newe"
akadaro King akandibata ruoko
tikatanga kufamba.Tatenda akasara
akamira ega.

"Babe handidi kukuona uchitaura


nemunhu uyu"akadaro Kingsley.

"Okay daddy"

Bhero rakarira ndikamhanya kuenda


kuclass.Takadzidza zvakanaka
patakabuda ndakaenda naAnna
kumba kwedu.Ndine nguva
dzandaimboramba ndakayeva Anna
dai mkoma vangu vakapfimba havo
uyu kwete zvivasikana zvavo
zvekuBotswana.

"Ko ndazokuudza here ndaona


Tatenda"

"Kumuona kupi"

"Kunze uko"ndakatsanangura
zvakaitika.

"Uya ndiye munhu wandakavenga


dai pasina Kingsley naTalia
ndakarepiwa" said Anna.

"Saka Talia sei wakamuvenga"


"Kamupfana kangu ndokafarira but
hatinyatsi kutaura zvedu nekuda
kwamai vake"

Ndakaperekedza Anna kumba


kwavo.Mai Anna vakafara kundiona
pamwe chete naMai Jessy.

"Muroora wangu ndanga


ndakusuwa" vakadaro Mai Jessy.

Ndakagumisira ndakunyara asi King


akavaudza kuti anodanana neni
here.Mai Anna vakangonyemwerera
vakanditarisa.
"Ko akakuudzai kuti ndiye muroora
wenyu ndiani" akabvunza Anna.

"Ndakaroteswa ini"

"Hooo ndasuwa Jessy"

"Achazouya ari kuna baba vake


anouya pamaholidays"

Ndakaoneka ndikadzokera
kumba.Mazuva akafamba kuchikoro
ndanga ndakuwirirana naTalia.Talia
ndakaona anga achinja kana na
Anna vanga vakuwirirana.Talia anga
ava book 3 kaigona zvako.Kanga
kari smart zvekuti kakaramba kane
hunhu kaizosarudzwa kuita prefect.

"Ko nhasi chii uri low low chii


chikunetsa"ndakabvunza Talia.

"Dad vangu vari kurwara"

"Ko zvakatanga rini vari kunzwei"


ndakabvunza Anna anga ari zii
ameno zvaifungwa.

"Zvakatanga day ravakadzinga


mhamha manheru ivo vanoti
vakaroyiwa namhamha" said Talia
akuyeredza misodzi.

Aindinzwisa tsitsi ndakatanga


kumunyaradza.Ndakaenda naye
kushop ndikamutengera pie nedrink
akanditenda.

"Don't worry vanopora kana


ukasimba pakunamata"ndakadaro.

"Thanks makoti wangu"

Kakabva kaenda
kuclass.Ndakaendawo kwedu
ndikasvika Anna ari kunyora zvake
manotes.Handina kumbotaura naye
hangu.

"Ko uri kubvepi"

"Tanga taenda kushop"

"Hoo ko wanditengerei"akabvunza.

"Aah ndatengera aunt Talia drink


nepie"

"Ndivo wava kufarira nhai"

"Tete Anna chii maida ndivasiye


vachichema here, inga wani ndimi
best aunt wangu"

"Kutamba newe kani kungoti


ndarwadziwa nezvataura Talia
chete"

Malessons paanopera Kingsley anoti


ari kuuya kundiona.Akauya muclass
medu Anna anga aenda kumba.

"My daily drug King"

"My favourite munhu Nassey"

"Ndanga ndakusuwai daddy"


"Really ndosaka ndauya
kukuona"said King.

Ndakabva ndamumbundira
takaramba takadaro tikazosiyana
tikatanga kutsvodana.Akazondisiya
tikagara padesk pangu.

"I loved you from the day i met you,


there was like a connection between
us and i think it will always be there
no matter what happens I love you
and I always will" said Kingsley
akandibata ruoko.
"Aaah une wakandishandisira
mushonga chete iwewe"

"Handibate mushonga asi kuti ndine


mashoko anotapira"

"Apa ndaizama kukubvisa mubrain


mangu zvairamba handikanganwe
day rawa kissa Sasha pamberi
pangu unoziva ndakachema here
ndava kumba"

"Paya ndaida kuona unondida here"


"Ndakatanga kukuda kare ndisati
ndakuona pandakanzwa
nezvenhetembo yako ndakanzwa
kuda kukuona kuzoti pandakakuona
hana yakarova ndipo
pandakazodonha paya"

Takataura nyaya dzakawanda


kusvika kwasviba ndikaenda
kumba.Ndakasvika mhamha vari
kuona TV apa vanga vasina kubika.

"Handirambe ndichibika uripo" said


mhamha.
"Asi mhamha ka"

"Mhamha chii"

"Hapana hangu"

Ndakatanga kubika kusvika chaibva


tikatanga kudya.Mhamha
vakakumbira foni yangu light vaida
kubuda panze
ndikavapa.Pavakadzoka ndofunga
pane akafona.

"Ko wawaka sevha number kuti *My


Daily Drug* ndiani"

"Ndi Anna"

"Hooo Anna ava nevoice rechirume


here unofunga ndakapusa here ko
ari pawallpaper ndiAnna futi ka"
ndanga ndachipusa nekuti
ndiKingsley aivapo.

"Mhamha"

"Nassey zvevakomana izvi zvokupei


kafoni aka ndakukutora ndatoona
kanokufurira" said mhamha.
"Mhamha mune problem
yekundifungira"

"Mkomana uyu haasi Kingsley


Tsepelo uya akabuda ne *0* ko
unowirirana naye pakudii anokupei
anga ane misikanzwa"said mhamha.

Foni yamhamha yakarira anga ari


Dumie aifona akati ava kusvika.

"Nassey ndinokuponda wanzwa


handidi zvekupihwa stress nemwana
wandakazvara zvevakomana izvi
zvipere chimboita zvechikoro
ugopasawo sezvandakaita" said
mhamha vakabva vatoenda
mubedroom mavo nefoni yangu.

Ndakagara mudinning ndikanzwa


kutinhira kwemota panze ndikaziva
kuti Dumie asvika.Ndakaona kuti
pane umwe akasara mumota
pakadzika Dumie.Takapinda mumba
tikagara pasofa.

"Ko iwewe chii chakaitika asi basa


rakapera here"

"Haisi nyaya yebasa mhamha"


"Inyaya yei ingoti ga ga ga"said
mhamha.

"Ndakakanganisa mwana wevanhu


saka kuuya kwandaita ndoda
kugadzirisa chivanhu chacho nguva
iripo nhumbu isati yakuoneka" said
Dumie.

"Yohweee zvezvakatooma saka aripi


musikana wacho"

"Mirai ndinomutora ari kumota"


akabuda Dumie.
Akadzoka nemusikana wacho zvaiva
mashura chaiwo.Dumie anenge
anopenga chete.Ndakaona mhamha
vabata muromo zvekutoshamisika.

Anga ari Sasha kana iye anga apusa


akatarisa pasi.

"Musikana uyu ndiye wauri kutaura


here kana ndisingakanganise anonzi
Sasha"said Mhamha.

"Haaa apa ndipo pamarasika munhu


uyu munonyatsomuziva mushe
here"ndakadaro.
"Unototsvaga kwegara nemusikana
uyu kwete pano handide mahure
handitambire hure iri never"said
mhamha vakabva vaenda
kubedroom kwavo.

"Sasha kana waifunga unogara


pano kanganwa hapana nzvimbo
yako ndakakuvenga nxaaa zibitch"
ndakadaro.

Dumie akatsamwa nemashoko angu


akandipa mbama.Ndakadzorera
mbama iya kuna Sasha.
*#drop your comments#*

Watch out for chapter 29


*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
*CHAPTER 29*

*Kingsley*

"Dad havasi kunzwa zvakanaka


Talia andiudza" said Anna.

"Hatinei nazvo isu" ndakadaro.


Taitaura tiri 2 naAnna mhamha
naMai Jessy vanga vapinda
mutown.

"Kingsley kana ini ndanga


ndakavatsamwira ko vakafa unofara
here, hongu vakatadza asi Mwari
ndiye vachavatonga ndoda
kunovaona,ngativaratidzei rudo
vachiri vapenyu kwete kuzodemba
vasisipo"

"Unoenda wega Anna iwewe hauna


kumbogara namudhara saka
haungazive hunhu hwavo"

"Tisu vana vavo tinofana kumira


navo vanofa takatarisa tichingoti
heee hatina basa navo"

"Okay Anna ndazvinzwa saka mira


ana moms vadzoke tizobuda
hazviite pamba pasare pasina
munhu"

Vana moms vakabva


vatosvikawo.Takabva tabuda
takananga kumba
kwamudhara.Takasvika kutambirwa
naGogo.Talia anga ari busy kubika
sezvo kwanga kwasviba.

"Ndafara kukuonai vazukuru vangu


mauya mose nekuti baba venyu vati
vane zvavati vanoda kutaura nemi
mose" said Gogo.

Takapinda mubedroom mavo


tikasvika vakarara.Wainyatsa kuona
kuti murume mukuru ari
kurwadziwa.Vakatanga kutaura
vachikumbira ruregerero
kwatiri.Vakataura zvese zvavakaita.

"Asi ndakazviita nekusada kwangu


ndaiva ndakadzimaidzwa
nemishonga yaMai Talia"

"Dad ndakuregererai chero hangu


ndanga ndakakutsamwirai ko
tikakuendesai kuchipatara pane
chakaipa here" said Anna.

"Ndakabvako mwanangu asi Vivian


ndiye akasiya andiroya"

"Vivian ndiMai Talia here"

"Ehe ndivo"

Takambotaura navo nguva yakareba


asi ndakaona vakatombofara
nekuvapo kwedu.Takabuda
tikapinda mudinning maiva
nevamwe.

"Saka kuchipatara makaenda navo


here" akabvunza Anna.

"Hazvidi chipatara ndaitombofunga


kutombodaidza maporofita"
vakadaro Gogo.

Padoor pakaita knock tikaona vari


Mai Talia vakapinda nemabag
avo.Tino kachiona mai vake
kanovamhanyira.Tinoramba
takangovatarisa apana
akavakwazisa ndakaona vadzvokora
Talia.

"Talia enda unotora mabag angu


kunze" vakadaro vachigara
pasofa.Iye Talia wacho akabva
aramba akamira.

"Talia wanzwa zvandataura here"

"Ehe ndazvinzwa but hakuna


kwandiri kuenda makajaidzwa imimi
ndinoshaya why Mwari vakandipa
mai vasina kukwana vasina tsitsi
nevamwe vanoda kumanikidza
pavasingadiwe nxaaa"said Talia.

"Hehehede ndinokumamisa ukafa


Talia usada kundigumbura ita
zvandataura ndisati ndatsamwa"

"Inini zvakafanana nekuti handina


mai ,vatova mai vangu ndigogo ava
zvimabag zvenyu ngazvigare kunze"

"Sis Talia zivai mukutaura


namhamha mubhaibheri zvinonzi
remekedza vabereki vako ndiko kuti
makore enyi awedzerwe" said Tino.
"Handiremekedzi munhu
anoparadza marriage dzevanhu,
handiremekedzi muroyi akaroya
baba vangu iwewe varemekedze
wega"

Talia anga andichinjira unoshaya


kuti ndiye aitaura izvi kuna mai vake
here.Mai vacho pavakada kunorova
Talia vakabatwa nagogo.Gogo
vakabva vapushirwa pasi vakadonha
zvinova zvakabhowa Anna.Mumba
makazonga mava nenoise ndipo
pakandishevedza mudhara akati
musapa mai Talia mukana wekuti
vapinde mumba.

Ndakaona Talia abuda neparaffin


achidira rimwe bag ramai vake
akaripisa.Ndakashaya why apisa
iroro rega sei asina kupisa
nemamwe acho.Kutsva kwakaita
bag iroro Mai Talia vakagara pasi
vakatanga kuridza mhere kunga
vafirwa.

"Talia waitei bag rangu yohwee nhai


Mwari mwana wangu andiuraya
ndodii"
Talia akapinda mumba akagara
pasofa akatanga kuchema.Mai Talia
vakapinda mumba zvenharo
vakasvika kujambira Talia vakatanga
kumurova.Talia akabva adonha
hameno akarovera negotsi or
nepaside pemusoro ndakazoona
atoti ziii.Mai vake vanga vachipusa.

Anna akabuda panze akakiya gate


kuitira Mai Talia vasatiza.Akafonera
mapurisa akavaudza zvaitika.Mai
Talia vakasimuka vakabuda panze
ndakaona kuti kuda kutiza vakaona
gate rakakiyiwa.Ndidzo time
dzakasvika mapurisa.
"Magona mauya mwana wangu kani
sungai ava ndivo varova mwana
wangu" said Mai Talia vakutipomera
mhosva.

"Ndini ndakufonerai mai ava ndivo


varova mwana wavo vega
vakarambwa nemurume wavo
vakuda kudzoka zvenharo ndivo
vakaroya baba vangu" said Anna
akuchema.

Mapurisa vakapinda mumba


vakaona Talia angori flat takamboda
kumudira mvura asi haana
kumuka.Takazoona ropa raiyerera
anga arovera nepaside
pemusoro.Akaendeswa kuchipatara
Mai Talia vakatorwa kuendwa navo
kumapurisa asi vaingoramba saka
vanga vamirira kumuka kwaTalia
ndiye aizotaura zvakaitika.

Nesituation iyi ndakaona zvisingaite


tingosiya gogo vega.Takafonera
moms tikavaudza zvaitika
vakaratidza kurwadziwa nazvo.

Takasiya Talia kuchipatara


tikadzoka kumba.Tasvika Moms
namai Jessy vatovapo but vanga
vakamira zvavo panze.

"Mai Tariya vakaoma kuda kuuraya


mwana wake hanzi apisirei bag
rangu"

"Don't worry Gogo everything will be


okay" said moms.

"Anna dai mandiudza Mai Talia


munovaregerera ava ndaida
kuvarakasha"vakadaro Mai Jessy.
Mhamha vakaramba kuona mudhara
mumba.Mai Jessy vakapinda
vakavaona ndakanzwa vakupopota
mumba macho vakazobudiswa
naAnna.Takaenda kumba asi Anna
akati akusara naGogo.

Makuseni ndaitarisira kuona Anna


kuti achauya achienda kuchikoro asi
haana kuuya.

"Clemence aiti zvosvikepi inini


kutaura chokwadi ndakatomuvenga
ndiye nyakukonzeresa zvese izvi"
said Mai Jessy.
"Mudhara anga akabikwa uyu apana
chanoziva" ndakadaro.

"Haana kutanga nekubikwa uyu, iye


anohura sei achiziva ane mkadzi dai
asina kuhura pasina zviri kuitika izvi
sis vangu vachizvigarira zvakanaka
akashoora sis vangu akaona mai
Talia vari nani, chiiii china mai Talia
chinoshamisira kunaka kwacho
vanokandwa namai vako chero
pasmart pacho ndinoshaya baba
vako chavakachiva pana mai Talia
chii haa ngavafe hanya nani"

"Varume ndizvo zvavari


havagutsikane vapedza hee
ndiregererewo ndakatadza kwaisava
kuda kwangu heee ndanga
ndakadyiswa ko chii chakaita
uzodyiswa hanty chihure
chako,iwewe mkadzi nekupusa woti
ndakuregerera mangwana
wohurirwa futi kusvika wazodzwa
edzi" said Mai Jessy.Regai vasiyane
nemurume wavo vanga vane nharo
mai ava.

"Ehe kana uchida murume wako


unofana kumuregerera kutadza kuri
muvanhu" ndakadaro.
Ndakageza ndikabuda ndaida
kunanga kuchipatara kunoona Talia
ava sei.Ndakamira pabustop apa
makombi acho aitonetsa
zuva.Ndakazosvika kuchipatara
Talia anga asati amuka panga
pasina kana change.

Ndakubuda ndakadhumha umwe


musikana
nemistake.Ndakazoshamisika kuona
ari Sasha.Ko anodei pachipatara
uyu.Type dzana Sasha
handidzichenesi vanogona vachida
kupedzisa hanzvadzi yangu.
"Kingsley"

"Wati chii"

"Nd..."

"Usataura hako neni handisi


shamwari yako patakataura
pakakwana" ndakabva ndadzoka
muward raiva naTalia.Sasha
akanditevera akasvika kupfugama
pamberi pangu achiyeredza misodzi.

"Kingsley sorry nezvandakakuita


ndofunga hwaiva hudiki izvozvi
ndakura undiregerewo plizz"

"Unofana kukumbira Anna


naNassey ruregerero futi kana
vakakuregerera neniwo
ndakuregerera"

"Okay thanks ko Talia akaitwa sei"

"Akaita accident"

Pasina nguva door rinovhurwa


tinoona ari Anna naNassey.Nassey
anga akapfeka uniform.Nassey
achindiona anochinja chiso chake
ndinoona kuti atsamwa.

"Sasha naKing muri kuitei"

"Aah ndangouya kukumbira


ruregerero chete zvamuri kufunga
hazvisizvo"

"Iwewe ziva ndakakuvenga pasi


nekudenga nxaa get out"said Anna.

"Okay asi ndoda undiregererewo


Anna plizz"

Ndidzo time dzakasvika gogo vaina


mudhara.Ndakashaya kuti mudhara
atopora nguvai.Sasha akabva
atobuda.Gogo vakatsanangura kuti
mudhara vanga vanamatirwa
nevamwe pastor.

Takazobva pachipatara ndakazama


kuda kutaura naNassey asi anga
atonditsamwira.Ndakamusiya
akadaro akabva atoenda kuchikoro
sezvo lunch yanga
yapera.Takasvika kumba mudhara
vakatanga kutaura nesu.

"Kingsley do you know kufoira


kwawakaita wanga wakasungwa
naMai Talia" vakadaro dad.

"Mai vaya ko ndakavatadzirei


chaizvo" ndakadaro ndapererwa.

"Zvatopfuura son wochitambira


zviripo" said dad.

Dad vakabva vatanga kutaura


naAnna.Ndanga ndatova nestress
yekufoira kwangu uku ndichifunga
Nassey akanditsamwira.Ndaida
kumutaimira pavanobuda nditaure
naye pamwe
angandinzwisisa.Ndakasiya
mudhara naAnna ndikaenda
kuchikoro ndakasvika vanhu
vakutobuda ndakapinda muclass
mana Nassey manga muchitori
nevanhu.Paakandiona akauya
pandiri tikabva tabuda.

"Nassey wakanditsamwira"

"Handisisina kutsamwa hangu"

"Zvauri kufunga hazvisizvo babe"


ndakamuudza zvaitika akangoti hoo.
"Sasha mkadzi wamkoma vangu
atori nenhumbu"

Mkoma vaNassey vanenge


vakapenyerwa nerunako here or
nehutsvu hwaSasha.Sasha haasi
munhu ari straigh uyu.Pamwe
achinja hake sezvandakaitawo.

"I love you Nassey"

"I love you too my daily drug"


Dumie akabva asvikawo patiri
ameno aiyenda kupi.This time
handina kutiza asi ndakaona kuti
vanga vasiri kuwirirana naNassey
kamuitiro kavo.

"Mkomana iwewe hausiwe


wandakaona day riya une hanzvadzi
yangu ukatiza"

"Ndiye wafunga kudii"said Nassey.

"Nassey handina zera newe


ndokurova, iwewe usiyane
nehanzvadzi yangu tanzwanana
here" said Dumie.
"Ko iwe wakambonzi siyana
naSasha nani" said Nassey.

Hameno madam Tsedebu


vakabvawo nepi.Ndakaona
vakusvika patiri ava ndaiva
respecta.Havana kundimisa
vakangonditarisa vakaramba
vakanyarara.

Ndakasvika kumba dad vaizama


kukumbira moms
ruregerero.Ndakangomira padoor
ndakaterera hangu.

"Clemence zvako neni zvakatopera


kana uchifunga tichadzokerana
nekuda kwevana ava kanganwa"

"Okay Shamiso kana zvisingachaite


no problem asi ziva ndokuda uri
pamoyo pangu ndinoshuvira kuti
tidzokerane tichengete vana vedu
pamwe chete"

"Handidi ndogara pano pamba


pangu wakandirwadzisa iwewe dai
usina kuhura naMai Talia pasina
zvese kuhura kwawakaita kuratidza
kundishora"

"Okay Shamisa asi ndoda


kumbogara nemwana wangu Anna",

"Kana akabvuma no problem asi


ziva ndikurwadziwa wakauraya
umwe mwana wangu ndingadai
ndine matwins kutaura kudai"

"That's why ndati yaiva mishonga


yaMai Talia yaishanda ukawana
nguva uzondiregererawo Shamiso"

Dad vakabva vabuda vachindiona


vanonyemwerera vobva vatoenda
havo.Pandinopinda mumba moms
vanenge vakuyeredza misodzi
vanokurumidza kupukuta asi ndanga
ndazviona kare.Ndakatoita kunga
ndisina kuzviona hangu.

Pasina nguva ndinofonerwa na Anna


achiti Talia a.....

*#thanks kune vese vari kunditsigira


nemacomments#*

WATCH OUT FOR *FINAL*


CHAPTER 30
*LAMP OF MY JOY*

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Nassey_
*FINAL CHAPTER 30*

*Nacistacia*

"Vana imimi munoda kundiuraya


neBP iwewe unounzawo hure pano
iwe haunzwe nenyaya
dzevakomana" vakadaro mhamha.
"But mhamha mashoko enyu ekuti
hure kumukadzi wangu haana
kunaka ko akakutadzirei"

"Apana anga asingazive kuti Sasha


aiita zvevakomana bvunza Nacistaci
anokuudza" vakadaro mhamha.

"Munhu anochinja mhamha


haarambi ari zvaari Sasha ndini
ndoziva zvandakamudira" said
Dumie.

"Ko makambosangana sei"

"Baba VaSasha ndimanager


pacompany pandoshanda ndosaka
maona ndakakurumidza kudzoka
ndigadzirise chivanhu chacho
mimba isati yakuoneka"

"Mutori serious mukuda kuroora


Sasha" ndakabvunza.

"Ehe baba vake vakasotora leave


ye2months kudhara vari kuno"said
Dumie.

Kuwirirana kwangu naSasha


kwainetsa chete.Mazuva akafamba
Sasha wacho airatidza kuti
achinjawo basa rese pamba
aiita.Ndikamutuka kana akatukwa
namhamha aisapindura
aingonyarara.Mhamha vakagumisira
vakutomufarira Sasha
wacho.Zvaingondiitira funny kuti
Sasha ava muroora
wangu.Ndakashaya why akasarudza
kuroorwa inga kuchikoro aigona
wani.Ndaiti ndikafunga madays
aikisana Sasha naKingsley pamberi
pangu ndainzwa kurwadziwa
ndaiwedzera kumuvenga.Mhamha
vakatozviona kuti naSasha anga ava
previous andanga ndakumuvengera.
Dumie akaunganidza mari yake
yanga isina kuwanda
zvayo.Akaudza hama dzikauya
vakaenda kumba kwana
Sasha.Vakanobvisira pavanga
vanapo Baba Sasha vakaratidza
kurwadziwa nekuroorwa nemwana
wavo asi vanga vasina simba
rekumurambidza nekuti iye anga ati
azvipira kupinda mumarriage anoda
murume wake.Kurimwe divi Baba
Sasha vakafara nekuti Dumisani
vaimufarira nenyaya yekuva
nehanya nebasa uye anga
akavimbika.
Dumie akati Sasha ari kusara iye
akadzoka Botswana.Hanzi ndoda
kugadzirisa zvekuti ndishande muno
muZim here.Mhamha havana
kupisikana vakatofara vangatadza
nei vanga vakuda Sasha kutopfuura
inini mwana wavo.

"Tete ndokumbirawo manotes enyu


eScience"

"Asi wafunga kudzokera kuchikoro


here"
"Ani haugoni kuti maiguru here iwe
Nassey" vakadaro.

Ndakaramba ndakanyanya ndikapa


Sasha book raanga achida.Mazuva
akafamba kadumbu kaSasha kanga
kakuoneka.

Ndakagumisira ndakuwirirana
naye.Zvekare ndakazvisiya
ndikatanga kumutambira semuroora
wangu.Asi kuwirirana kwangu
naSasha kwakanokanganisa
hushamwari hwangu
naAnna.Akabva atochinja anga
asingadi kutaura neni ndinoshaya
aida ndiitewo sei.Ndakasiyana
nazvo Kingsley wacho anga
asingachabatike ndanga ndisina
kwekumubatira sezvo ndanga
ndisisina foni.

Sasha anga akundifarira


zvakanyanya anga asingachadi
kusiyana neni.Ndakashaya kuti
inhumbu yake yaindida here or
ndiye.Ndaisada kumugumbura
ndaingoitawo zvaanoda.

"Ko Sasha hauna kumbondiudza


kuti munozvarwa muri vangani"
"Ndinozvarwa ndiri 1 mom vangu
vakashaya ndiri grade 7"

"Ooh sorry honey chihandei


ndinokutengera malays"

"Hiii shuwa here tete


ndinomafarira"said Sasha.

Takaenda pakatuckshop tikasvika


Anna akamira ipapo.

"Hesi Anna"said Sasha.


"Iwe usataura neni hako"

"Inga ndakati sorry wani Anna" said


Sasha maziso ajenga misodzi.

Hapana zvandakataura ndakatenga


malays tikabva pashop pacho.Anna
akandishevedza ndikabva ndamira.

"Nassey ndakusuwa sorry"

"Kana neni besty hanty mandivenga"

"Handina kukuvenga"

Anna akabva ambundira Sasha


vakaita kanguva vakambundirana.

"Sahwira undiregerere handizive chii


chakandipindawo madays aya"

"Zvapera ndakuregerera"

Takanogara pane mamwe matombo


tikatanga kutaura nyaya.Anna
ndakaona chiso chake chasuwa
ndakashaya kuti chii.

"Anna chii futi",


"Munin'ina wangu akupenga
ndikurwadziwa guys"said Anna.

"Une munin'ina here iwewe hanty


unozvarwa uri 1 here" akabvunza
Sasha.Akaudzwa zvese naAnna
akashamisika.

"Do you still remember tiri maform 3


ndakambokuudza kuti wakada
kufanana naKing" said Sasha.

"Ehe ndiri kupaziva ndaiti kutamba"

"Ko Talia ari kupenga nei saka aripi"


Ndakarwadziwa kutaura
chokwadi.Ko ndiani apengesawo
mwana asina
nemhosva.Takaparadza tikadzoka
kumba tikasangana naTatenda
achifamba nekamwe kamusikana
hatina kutaura naye.

*Kingsley*
Pandakafonerwa naAnna achiti Talia
amuka ndakafara.Ndakakata foni
ndikamhanya kuchipatara ndikasvika
Talia akarara asati amuka
ndakapererwa.

"Abaiwa jekiseni rekuti azorore


angomuka nekutanga kurotomoka
achitaura ega"

"Hakusi kuvhumuka here"

"Aiwa hanzi akupenga pane


zvakaitika chete I think bag rakapisa
ndiro rakonzeresa"
"Ranga rinei bag racho"
ndakabvunza.

"Manga mune bag nehari 2 twudiki


zvimwe hatina kuzviona sezvo
zvanga zvatsva kuita dota"

"Zvakaoma ko mudhara wavaudza


here"

"Handina ndatya kuti azoita worried"

Takaenda kumba Anna akaudza


mudhara zvanga zvaitika.Tinoenda
kuchipatara tinosvika Talia amuka
achitenderera muward maanga
ari.Akabudiswa muchipatara
takaenda naye kumba aingotaura
ega womuona oseka.

Pastor vekunamatira dad


vakadaidzwa vakanamatira Talia
akabva ambodzikama.Zvakangoita
2hours akadzikama akatanga
kurotomoka.Ndakaona mudhara
vabata shaya vakatarisa
mwanasikana wavo.Gogo vaizama
kuda kudzikamisa Talia asi iye
wacho airatidza kusada
zvekubatwa.Akabuda akanogara
panze achitambisa zvimwe
zvimagwedere.

"Ndatopererwa handizive ndoita sei"


vakadaro mudhara.

"Baba Kingisiri ngatirongei kuti toita


sei zvisati zvanyatsa kushata"

"But zviri nani amberereke ari muno


gate iro rinofana kugara rakalockwa
haafane kubuda" said Anna.

"I think zvinhu zvaMai Talia zvaenda


kunoita go back pamwana wavo
hameno mafungiro angu"
"Hazvifani kudaro zvinofana kuenda
kune nyakupara wacho"

Mazuva akafamba Talia ainamatirwa


nemaPastor akawanda zvaiti
zvikachinja zvotanga futi.Rimwe
zuva takamuka tichishaya Talia
kutsvaga kwese hatina
kumuwana.Asi gate ranga
rakalokwa.

"Ko aendepi mwana


uyu"vakabvunza dad.
"Haana kujamba durahall here uyu"

"Nekupfupika kwakaita anojamba


sei"

Takatarisa tikaona padurahall panga


pane drum.Takaziva kuti ndiye aisa
akajamba kubuda ko azviita
nguvai.Takaswera tichitsvaga asi
hatina kumuona.Kuti tiende
kumapurisa hazviite zvinonzi
munozouya after 24 hours.

Takaenda kujeri tichida kuona mai


vake kuti vatibatsirewo kuti
tingakwanisa kumuona kupi.

"Munoda kubatsirwa nei imi


makandisungisa"

"Talia mwana wenyu ita moyo


wekubereka" ndakadaro.

"Talia akazvikanganisa ega kana ini


ndikutorwadziwa dai ndaikwanisa
kubuda muno ndaikwanisa
kukubatsirai nepandikwanisa napo"

Takazama kuda kutaura nemapurisa


asi vakati hazviite.Ibasa remapurisa
kutsvaga munhu asiri
kuoneka.Takadzoka kumba this time
ndakaenda kumba kwamai
vangu.Ndakasvika mhamha vari
kutuka Mai Jessy.Nyaya dzacho
dzakaoma shuwa.

"Mai Jessy unoziva zvawakaita


zvonyadzisa zvosemesa
wandinyadzisa" said
mhamha.Vaitaura nyaya dzavo vari
muroom mairara Mai Jessy.

"Sis ndataura kuti ndofambidzana


naye ndiri munhu wenyama ini
waida ndiitewo sei"
"Saka wakati kuvhura makumbo
ndobest way zvino vana Anna
naJessy vanodzidzei iwe uchiita
chihure chakapusa kudai"said
mhamha.

"Sis ndahura nani ndakuudzai


ndofambidzana naye plus ndagara
ndomuda iye anondida andioni pane
chakaipa moda ndife ndiri single
mother here"

"Unofana kungozvibata maifana


kuroorana kwete kuita
zvekumitisana mava vanhu vakuru
imi saka munhu wacho ndiani ndoda
kumuona ngauye pano"

"Okay sis ndichamuudza"

Mhamha vakagumbuka nezvakaita


Mai Jessy.Ivo Mai Jessy
ndakavaona hangu kuti
vakangwarisa.

"Talia haasati awanikwa"

"Eish zvakaoma don't worry


achawanikwa"
Zuva rava kuvira ndakabuda
ndichienda kumba
kwamudhara.Ndakapfuura
nekwairasirwa marara ndikaona
kunga pane munhu ari
ipapo.Ndakaona ari Talia akapfeka
zvinhu zvakabvaruka bvaruka
achiridza zvimagamba.Mumusoro
akasunga rimwe paper bag ranga
rine tsvina.Ndakayeredza misodzi
ndakamutarisa ndakaenda pedyo
naye akamira akaramba
akanditarisa.

"Ndiwe ani ukudei pamba pangu"


said Talia.
"I'm your brother Kingsley Tsepelo"

"Tsepelo wepi mauya kundipedzisa


here"

"Ndauya kukutora kuends newe


kumba"

"Kumba kwaani ini ndiri pamba


pangu ibva pano"

Akatanga kufamba achitaura


ega.Akabva amira akafamba kuuya
kwandiri akanditarisa akatanga
kuseka.Akanditarisa futi akaseka
zvekuti ndakafunga kuti zvimwe
ndakatadza kupfeka.Talia ndiri 1
ndaisamubata ndakafonera mudhara
kuti ndaona Talia vakauya
naAnna.Takamukomba iye Talia
akabva abata imwe simbi....

Ndipo pakabva pasvika vamwe mai


vanga vakasunga dhuku rewhite
vaiuya kurasa marara.Vakaona
takakomba Talia vakauya
kwatiri.Havana zvavataura
ndakaona vakunamata
vakanongedza Talia.Akatanga
kuzhamba achizvipondera
pasi.Kusvika ati ziiii mai vaya
vakabva vamumutsa akamuka.

"Ko chiii chiri kuitika pano ko ndiani


andipfekedza izvi"akabvunza Talia.

Mai ava takavatends vakati ipai mbiri


kuna musiki.Vakada kupihwa mari
namudhara vakaramba.

"Mari iyoyo endai munoibvisa


kuchurch mukadaro muchaona
zvinhu zvenyu zvichiendeka"
Takatora Talia tikaenda kumba
Gogo vakafara vachimuona.Talia
akabva aenda kunogeza Anna
achimubikira.Talia akadya zvenzara
chaizvo.Ndipo patakanzwa
makuhwa aitaura kuti Mai Jabu
vakupenga.

Talia akazodaidzwa kumapurisa


achibvunzwa zvakaitika kuti azova
akuchipatara.Akamboramba
akanyarara akatarisa mai vake.Talia
ndiye aikwanisa kusungisa kana
kusasungisa mai vake.

"Mai vangu vakandirova" akadaro


Talia.Hameno mai vangu
vakasvikawo nguvai.Mai Talia
vakada kutiza asi vakabva vabatwa
neumwe mupurisa.

"Chipoko ichi maihwe Mwari"

"Vivian handisi chipoko sezvauri


kufunga ndiri mupenyu, ndangouya
kutaura.mashoko mashoma newe
ekuti wakaita basa nekuchengeta
mwana wangu ndichachengetawo
Talia wako kusvika aroorwa"

"Shamiso une shuwa uri mupenyu


saka ndaitiza munhu mupenyu, sis
vangu Mai Jabu ndivo vakandifurira
kuita zvisina basa plizz take care of
my daughter, Tino haasi weropa
renyu mwana waBaba Jabu
muendesei ikoko vagara vanga
vakuda kumutora"

"Aaah mairara nemurume wasis


wenyu"

Mai Talia vakabva vavharirwa court


yaizoitwa musi weMonday.Court
yakaitwa Mai Talia vakapihwa gore
chete vari mujeri havana kuramba
mhosva yavo.

••••••••••••••••••••••••••••••••••••••••••••••
•••••••••

Kupenga kwaMai Jabu hakuna


kushamisa hama dzababa Jabu
nekuti vanga vakuzivikanwa
nekubata bata.Baba Jabu vakatora
Tino vakanogara naye pamwe chete
nevamwe vana vavo.
Mai Jessy vakazoendawo kunogara
kunogara nemuridzi wenhumbu
anova Baba vaSasha.Vaviri ava
vakasangana pabustop mushure
mekunge Baba Sasha vabatsira Mai
Jessy nelift.Vaviri ava vakatanga
kudanana kusvikira varara
vese.Baba Sasha vakanobvisira
sezvo vanga vagara vane mari
dzavo.Vachipedza vakaenda
kuBotswana pamwe chete nemkadzi
wavo vakazobatsirwa mwana
mkomana.Kuzvarwa
kwemwanakomana kwakafadza
baba ava Mai Jessy vakatendwa
kasingaperi.

Kingsley akazoenda kunoitawo


kacourse kake.Nassey achipedza
kunyora haana kuda kuenda "A"
level asi akabva angonanga kuPoly
zvinova zvakatevedzerwawo
naAnna.Talia ndiye akaenda "A"
level.

Mai King vakadzokerana nemurume


wavo vanga vakugara vese pamba
pamba pamai king.Imba yekudhara
yakaiswa muzita raKing sezvo ndiye
ega anga ari mwana mkomana.Talia
aichengetwa zvakanaka Mai vake
vakabuda mujeri vakaenda kumusha
kwavo vakazonoroorwa futi neumwe
murume aita zvekudriver magonyeti.

Sasha akazopona mwana musikana


anga akafanana naMai
Nassey.Panga pasina need
yemaDNA Test mwana waiva
wemumhuri umu.Nassey ava
kupedza kacourse kake akabva
amitiswa naKingsley.

*THE END*
_Namo Amitabha_

Thanks kune vese vakanditsigira


pabook iri.Vese vaipa macomments
nevaisapota munyori nedata thanks..

Special thanks to Nassey

#PDF CREATED BY LORITY


ARTS#

You might also like