You are on page 1of 1619

MY LOVE FOR THE

PRINCE
CELL - +263778035938 KAYZ
- +263774414068 TRISH

-CELL - +263778035938
 +263735737609
Copyright © 2017/TRISH& KAYZ

All rights reserved.

No part of this publication may be reproduced, or

transmitted, in any form, or by any means, without

the prior written permission of the author.

Sharing and lending of this book by any means is

strictly prohibited. Sharing will result in


imprisonment if
*CHAPTER ONE*

Nhai Danai unoda kusvika kupi


usina mukomana hona
watokura isu vamwe tatova
navo uyu ainge ari shamwari
yangu Salindra.
*Me:*ndisiye zvangu
zvinoendesa kudenga here
izvozvo.Chimbondipa nguva ini
am enjoying being single my
friend no stress,no
drama.Always happy not you
,you are always stressed about
your guy Dasy.

Zita rangu ndinonzi Danai


Mudoni ,am aged 17 ndini
mwana mukuru mumba medu
uye takangozvarwa tiri vaviri
nehanzvanzi yangu Dexta uyo
aivavo grade 7 ane 12
years.Taigara nevabereki vangu
vese avo vaiva varimi ,zvekudya
taizviwana hedu zvaitikwanira
pakupfeka taivavo nane sezvo
vabereki vangu vaienza nepose
pavanogona kuti tirarame zviri
nane. Taidzidza pa pa *St
Michaels Mission School*.
Taigara kuMhondoro Ngezi

Salindra ainge ari friend yangu


kumba zvese nekuchikoro
taitove bhande nebhurugwa
chaizvo zvekuti taisada
kushayana asi aizongobhowa
panyaya dzevakomana nekuti
ini ndaisazvifarira
hangu.Ndakatanga kunetsana
naye kusvika ndasimuka
ndichipinda mumba
ndichimusiya akagara ega
panze.Ndakazonzwa munhu
akuoneka asi ndakanzwa
kurwadziwa nezvandainge
ndaita Salindra ndokubuda
ndichimutevera.
*Me:*sorry bestie i overreacted
but please just understand
me,when the time came i will
have one.
*Salindra:*am sorry too
bestie..takabva tambundirana
ndokutanga kumuperekedza
kumba kwavo tichitaura hedu
nyaya tichiseka.Ndakamusiya
kumba kwavo ndokudzokera
ndakati ndava munzira
ndokuona Dasy mukomana
waSalindra akamira neumwe
musikana,ndikati kumira
ndinganyepe asi kunamirana
chaiko.

Ndakangozvishingisa
ndokunyasodarika nepadhuze
navo iye paakandiona
akaratidza kuvhunduka
ndokusiya musikana uye
akunomira kure zvishoma
.Haana zvakataura asi
akanditarisa neziso raireva
zvakawanda uye kuratidza
kutya. Ndakafamba ndichienda
kumberi ndichita sekunge
pasina chandainge ndaona
ndisina kure kwandaenda
ndakashamisika kuona munhu
wandainge ndasiya kumashure
asvika pandiri handina kuda
kuita dzungu ndokumumirira
kuti ataure nyaya yake ega.
*Dasy*: Danai , sorry hako
nezvawaona ndoziva zvakubata
but pliz ndokumbiro usaudze
shamwari yako coz akazviziva
ndinenge ndatopinda pama1
chaipo .Friend yako ndoida
nemoyo wese handizive
zvinozoitika sei kuti ndizoita izvi
.
*Me*:Iwe usade kutaura
zvisina basa anosvikepi
achingochemedzwa nemabasa
ako iwawa. Ndoda
kumuudza.Hauna basa naye asi
unongoda kumutambisa chete
womusiya akuchema newe
..ndisiye hangu ndiende kumba
ndanonoka.
Handina kuda kurimira
ndindura yake ndava
kutomhanya kare kuenda
kumba.Ndakati ndichisvika
kumba ndokuona Dady vangu
vakamira pagate apa vakabata
shamhu.
*Dady:*eeh vasikana ndoda
mundiudze kuti munhu ari form
4 anoda mukomana wei?,ko
mabooks wapedza kuverenga
here?,inzara here hatisi kukupa
zvinokukwanira here?.
Handina kukwanisa kudaira
ndainge ndava kutobvunda
kare nekuti baba vangu vaisada
zvisina basa ,ndakangokwanisa
kupinda mugate nekuti
ndaizonyadziswa panzepo.
Ndakati ndichipinda mugate
ndainge ndatogarwa naro
zishamhu rataifudzisa
mombe.Ndakatanga kuridza
mhere kuti amai vauye
vandibatsire nekuti ndivo
vaiziva zvaiita kuti hasha
dzababa dziserere.
*Dady:*ini handirove munhu
anoridza mhere zvauri kuita izvi
,hausati wanzwa kurwadziwa
hako,unoshayei pano
zvaunoswero mira
netukomana.
Ndakamboedza kuzvishingisa
asi zvakashaya basa nekutii
ndairwadziwa uye kurowerwa
mhosva isiri yako here
,zvakangooma hazvo.

Daddy vari pakati pekutaura


kudaro mhamha vakabva
vasvika vachidetemba
.vakazondisiya mom
vakuchema
*Mom:* Nhai mhofu
mudakuuraya mwana here
.chimusiyai hachazvite futi
*Daddy:* Zvigume nhasi nekuti
ndikakuonai moenda mese
pano haupadzoke . Vakadaro
vachindisiya ndakarara
pasi.Mhamha vakauya
ndokundisimudza vachinondiisa
muroom mangu ndokubuda .
Ndakachema zvekusvika
ndabatirwa nehope.
Ndakazomutswa namama kuti
ndidye asi ndainge
ndakatozvimbirwa nehasha.
*Mama:*ko iwewe wanga
uchiitei nhai ,ndokutemba
mwanangu usandinyadzise
ndapopota.
*Me:*mama ini mukomana uyu
handimbodanane naye ini
,handitomuzive ini.
Ndakaona kuti ndikati
mukomana waSallie
ndaizopinda busy ndokunyepa.
Mhamha vangu vakazviona kuti
ndaitaura zvekuzvishingisa kana
kudya ndakangoita
zvekungofadza mhamha asi
ndaisada.
Vakatanga kutaura nyambo
dzavo kusvika ndakuseka
zvekukanganwa kurohwa
kwandange ndaitwa .
Ndakazoona kuti nguva dzainge
dzaenda ndokuyendha
muroom mangu
ndakangosvikaa nekuzvikanda
pamubhedha nekutorara
dzedanda kana
kunamata handina zuva iri.
The following day ndakamuka
ndokugadzirira zvekuenda
kuchikoro ndokuoneka
mhamha ndakuyenda ...Daddy
ndaisada kuvaona nekuti hasha
dzangu dzaizouya .Ndichisvika
kuchikoro ndakawana Sallie
atouya kare akatogara naDasy
muclass. Ndakabva ndadzokera
kwandaibva ndokutsvaga
pekugara ndakamirira time
dzekutanga malessons.
Ndaisada kuona Dasy nekuti
zvainge zvandibhowa
kurohwerwa munhu
wandisinga danane naye.
Ndakatora mabooks angu kuti
ndiverengewo ndichivaraidza
nguva kusvika nguva
dzekutanga malessons
dzakwana ndopandakazoenda
kuclass.Ndisati ndagara Sallie
akauya ndokundimbundira
achienda neni kwainge akagara.
Akamboedza kundinyengerera
kuti ndimudze zvaindinetsa asi
ndakaramba kumuudza
chokwadi kusvika
ndamunyepera kuti ndairwara
nemusoro.Ndaisada kumudza
chokwadi nekuti ndainge
ndisingade kumurwadzisa
nekumudza mabasa
emukomana wake uye
aizondivhunza kuti ndainge
ndichitaura nyaya dzei
nemukomana wake zvakazoita
ndizosvike pakurohwa.

Takadzidza zvakanaka musi uyu


nguva yekuenda kumba
yakasvika ndokubuda ndoenda
kumba handina kuda kumirira
Salie ndaiziva kuti achada
kuperekedzwa naDasy .
Ndichisvika kumba ndakawana
mhamha vangu vaine mufaro
ndakashaya kuti vaifarei kudaro
. Takabika zvemanheru
ndichibatsirana namhamha
tichitaura nyaya.Ndakazorovera
moyo padombi ndokuvabvunza
chaifadza mhinduro yacho
yandakapiwa ndiyo
yakandipedza simba.
*Mama:* dady vako vabvuma
kuti uende kunonoona tete
vako kana uchinge wapedza
kunyora.
Ndakatoshaya kutu ndizvo
zvaibva zvaita amai vangu
vafare kudaro here kana kuti
pane zvimwe zvainge
zvakawandika zvavaiwanda
nazvo.Dady vakazosvika papera
nguva ndakamboda kuvatiza asi
ndakaona kuti kupedza nguva
nekuti ivo vairatidza kuti vari
kutozvifarirawo havo
ndokusvika vachitipa zvinhu
zvavainge vatenga kuti
tizokwanise kutakura
kuchikoro.Ndakavatenda
kundokuoneka sezvo ndaida
kunoverenga maexams ainge
ava pedyo.Zuva rakatevera
racho ndakatozoita
zvekumutswa namama sezvo
ndainge ndararisa ndokutanga
kugadzirira zvekuenda
kuchikoro na Dexta.
Ndakati tichifamba kuenda
kuchikoro ndokusangana
naSalie achiratidza kuti ane zviri
kumunetsa ,ndakatoziva kuti
hakuna imwe nyaya kunze
yabharanzi wake.Pandakati
ndibvunze ndakatadza kuvhura
muromo neshura randakaona
kumberi kwedu.
*CHAPTER 2*

Rainge riri shura hombe chairo


yakanga iri nyoka hombe
yandainge ndisati ndamboona
handina kuda kuita dzungu
nekuti ndakaona Salie asina
kunge aona zvaive mberi
kwedu ndakangomudhonzera
kure nekuti ainge ave kuda
kutonoitsika. Takatsvaga nzira
yekuti tiende nayo ndoyaive iri
iyo yega option nekuti ndaisada
kunonoka kuchikoro.Takati
tichifamba ndokuona munhu
aiita kunge Dasy akamira
neumwe musikana kuti
ndidzokere shure zvaisaita
nekuti ndiyo imwe yainge iri
nzira yekuchikoro apa Sallie
aisambozviona zvese izvo
aitotaura zvenyoka yatainge
taona.

Ndakamubata ndokungomuti
be strong my dear sister pane
zvatichazosngana nazvo
pamberi .Ndakazomuratidza
Dasy akangoshinga kusimbisa
mashoko andainge ndamuudza
asi ndaitoona kuti ainge
arwadziwa mumoyo.
Takafamba takuenda kwainge
kuina Dasy ainge asina kutiona
nekuti taibva kumashure kwake
takazongomira pamberi pake
asingambofungire. Ndakaona
aita kupusa chaiko kuti atize
zvaisaita anga atononoka kare.
*Me*:Hatisikuda kutambisa
nguva yedu. Tipewo
maintroductions now pasina
izvozvo we are going to deal
with you
Haana kudaira kamusikana
kaive nako ndokabva katodaira
zvedzungu chaizvo
*Her*: Imi mabvakupi imi
murikundinetsera murume
wangu
*Me*: Iwe dai watonyarara
zvako nekuti ndinogona kukuita
zvimwe pano ukatadza kuenda
kuchikoro zvakanaka . Iwe
Dassy ndirikutaura newe
kurumidza kuita zvandataura
ukutotitambisira nguva yedu

Panguva iyi ndainge ndaita


kuchinja face chaiko zvekuti
Salie akatoshamiswa nazvo
ainge asati ambondiona
ndakadaro ainge ajaira kuona
ndakanyarara
*Dasy*: I friend yangu anonzi
Kelly ...Kelly meet my wife to be
and her friend
*Her*: Wati chii? Ndiri
shamwari yako here ini
Haana kuzopedza zvaaida
kutaura Dasy ainge atotibata
maoko tese naSalie takuenda
asiya kamwana kaye kega
kachiita kuchema asi hatina
kana kumucheuka nekuti ndiye
ainge auya kumunhu waaiziva
kuti ane musikana wake kare.
*Me*: Nhai Dasy ndiudzewo
kuti washorei paSalie
zvaunomutsvagira vamwe
vasikana but iye haasati
ambokuitira mumwe
mukomana
*Dasy*: Handisirini ndakaenda
kwaari ndiye auya kumba
kwedu achiti ndauya
kuzokutora tiende tese
kuchikoro saka ndangoita
seizvozvo ndisina kufungira kuti
angaatone mission yake
kudhara patasvika patanga
takamira ndopazonditi ndine
nyaya yangu ndikuda
undinzwisisewo.

Handina kuda kumuitisa nharo


nekuti ndakatoona kuti isasi iri
rekuda kuti vhara achete.Apa
kaSallie ainge atonamirana
naDasy wake ,ndipo
pandakaona kuti vamwe vanhu
vane nhamo shuwa.Takati
tichisvika kuchikoro ndipo Salie
akazosiya Dasy achiuya
pandainge ndakagara akutaura
nyaya dzake idzo
dzaitondibhowa nekuti
ndaitodaira kuti zvindibve
hangu ini.
*Sallie:*I love my man so much
Dani ,am no good without
here.He is every girl dream guy
thus why am crazy over him.
*Me:*aww i see ,i hope he
loves you like you
do.Handsome guys are
dangerous time time ,tsvaga
hako chibage chako chitori
nane chinenge chiri chako
wega.
*Me:*so did you believe what
he tells us was true.Ayas sati
ndamboona kupata kwakadai
ini.Ini munhu anondida anenge
ari munhamo chaimo.
*Sallie:*i love that dude my
sista ,dont care about his side
chicks coz i know am the
mainchick.Dasy truly love me
,look at this neckless he
brought me.
*Me:*ooh its
nice.ndakangodaira nekuti
aizofunga kuti ndairwadziwa
naye.

Ndakabva ndatobuditsa book


ndokutanga kuverenga hangu
apa Sallie achisumukawo
kuenda kuclass kwana Dasy uyo
aivawo muupper.Ko ukadanana
nemaA level ukaita zvekupusa
ndiwe unofoira nekuti ivo
nguva zhinji nenge sina
malessons.
*Me:*makuzonyanyawo mhai
nhiya ,takuda kunyora isu.
Haana kumbondidaira
ndokuramba achifamba
chienda ,ko nhamo dzedu
dzainge
dzakasiyanazve.Takadzidza
kusvika pabreak Sallie asina
kudzoka ,hameno aimbova pai
hake. Ndakasiyana naye kana
kuda kumutsvaga handina .
After break ndakazomuona
akupinda muclass akabata
machips nefruit juicy
achiratidza kufara zvakanyanya
ndakanyaso mudzikamira
ndichida atange nyaya yake ega
*Salie*:Hello bestie
*me*:Hes ucey
*Salie*: Nhasi ndazonyatsoona
kuti Dasy anondida . Ndaswera
naye achinditira zvese
zvandanga ndichiida
atozondisiya akuenda kulesson
akasiya anditengera
zvandinazvo izvi
*Me*: Zvokudzwa kana
muchidanana chakaipa kuti
mumwe anenge
achingoshandiswa .
Ndakangodairawo kungoti
zvindibve ndokuzodya zvainge
zvauya naSalie wangu... ko
ndaizorambirey hangu ini
ndaigirwa. Takazodzidza zvedu
zvakanaka kusvika nguva
dzekuenda kumba dzakwana .
Ndakaoneka Salie
ndokumhanya kumba ndaida
kunoverenga
nekuti tainge tine maDiocese
ndaisada kuzofoira.Ndakasvika
kumva ndokuwana mhamha
vangu vakutopedzesa kubika
zvemanheru .
*me*:Thanks mhamha
mafanobika.Ndakatanga
kutaura nyaya naamai vangu
sezvo taiwirirana zvakanyanya
zvekuti dzimwe nguva vanhu
vaitoramba kuti ndiani vangu
nezvinhu zvataiita.Ndakazotoita
zvekudzingwa kuti ndinobvisa
uniform nyaya dzichiramba
kupera.Ndakati ndichipedza
kudya ndokuenda kunoverenga
sezvo tainyora maexams ayo
ainzi maDiocese Monday ayo
anonyorwa nemamission
schools ese vana vanenge
vatarisana nebvunzo dzavo
mafinal exams

Handina kuziva kut hope


dzakandibata sei
ndakazongopepuka ndakabata
book mumaoko ndipo
pandakaziva kuti ndainge
ndarara ndichiverengenga
.Handina kuzoda kurara futi
ndokutanga kugadzirira
zvekuenda kuchikoro sezvo
kwainge kwatochena. Handina
kuzogara pandakapedza
kugadzirira nwkuti Salie ainge
atouya kuzonditora
ndokuoneka zvedu toenenda .
Takangonoti tichifamba
tichinopinda mumain road
ndokuona mota dzaifamba
dzakawanda kuti titize zvainge
zvakusaita nekuti tainge
tatoonekwa kare
ndokuraramba tichifamba
zvedu tichienda asi hana yangu
yaiita kurova chaiko.
Ndakazopera simba ndaona
imwe mota yamira pamberi
pedu yainge ine vakomana
vechidiki two. Mumwe wacho
akaramba akanditarisa hana
yakange yakutowedzera kurova
apa ainge akanaka zvekuti
taisamukwikwidza nanaDasy
vaizviti vakanaka apa
vaitokwana ka3 chaiko.
Ndaitotaura navo ndakatarisa
pasi nekuti ndaiti ndikasimudza
musoro ndaiwana
akangonditarisa mumaziso
chaimo zvekuti ndaitonzwa
ropa rangu kumhanya
zvandisati ndamboita
pavakomana vese vaindinetsa.
Vakazotiudza mazita avo ndipo
pandakazoziva kuti ainge
akangonditarisa ainzi *Tinashe*
mumwe ainzi *Leon* ainge achi
driver wacho.
*Tinashe*: Sorry zvenyu
nekukumisai kwataita toziva
manonoka saka pindai
munomu tinokusiya kuchikoro
kwenyu tozoenda
kwatirikuenda
*Me*: Tofamba zvedu netsoka
papadhuze hapo.. Thanks
*Tinashe*: Yes toziva hamudi
kukwira mota dzemastrangers.
Isusu tirikuenda
kwaMurambwa ndokwatogara
ska todarika nepagedh renyu
rekuchikoro
*Me*: oky regai tipinde kwacho
asi tatakutosvika wani
*Tinashe*: Thanks nekubvuma
kwenyu miss cute
ndandarwadziwa moyo wangu
panga waramba kupinda.

Takangotarisana naSalie
takupinda mumota muya
ndokuzvidzora kuti tisaseke .
Ndakashamisika kunzwa
Tinashe akuti akuda kugara
neni zvinova zvandaisada
nekuti ndaiti ndikagara
padhuze naye kana kutarisana
naye maziso ndainyasonzwa
kumhanya mhanya kweropa
rangu mumiri. Ndakazonyara
kuzonzi ndakapusa ndokuzongo
rovera moyo padombo
ndongogara naye asi ndainge
ndakudemba kuti dai
ndachingosvika taburuka .
Takasvika pagedhe rechikoro
mota ndokumiswa kamoyo
kangu kakarwadza nekuti
ndainge ndakufunga kuti
ndaizomuwana kupi
mukomana uyu ndainge
ndakungonzwa kuda kuramba
ndichingomuona.

Ndakazobva kundangariro ave


kuti.......
*CHAPTER 3*

Ndakazobviswa mundangariro
ava kupi *Hope will meet
again*.
*Sallie:*can you direct us to
your place.Maybe we can pay a
visit one day.
Ndakaita kunzwa kunyara
nemashoko eumwe wangu
ndokumudhonza ruoko tichiti
tifambe ndokusiya ndati.
*Me:* sorry dont mind her.
Tinashe akangoseka
ndokudzokera mumota apa
kaDexta kainge kakangonyarara
hako kunge kasipo ndikatoziva
kuti kari kutapa zvako.Ndakati
tichipinda muclass Kelly
ndokuuya patainge tiri kachiita
kuzvida.

*Kelly:* Iwe Sallie ndikakuona


uchifamba nemurume wangu
ndicha dealer newe zvawakaita
nezuro naye zvive first and last
*Me*: Mwana iwe hauna kana
kukwana waunosvika
uchitaurira tsvina dzako
ndiani . Iwe naiye ndiani
akatanga kudanana
nemukomana uye unotaura
zvekuti murume wako
akakubvisira mari yeroora here
*Kelly*: Mind your own
business wanzi daira nani
*Me*:Wakuda kuenderera
kusiriko manje chifamba ubve
pano zvichakanaka nekuti
ukaramba uripo uchazobva
wakumhanya. Ndakaona kuti
ndikaramba ndichitaura
nemusikana uyu zvakapora
aitozoenderera ndokuchinja
hangu face
zvakamuvhundutsawo
ndokungofamba akuyenda apa
Salie aing angonyarara ari
mucorner.
*Me:*mabasa ako
aya,ndakakuudza kuti
vakomana vepachikoro havaite
uye vakomana vanozvikaandira
macall beks siya..
*Sallie:*am now grown up girl,i
need someone to cry on and to
embrace me when am feeling
low or stressed.
*Me:*aww thus nice,but to be
frank i dont like what you did to
those guys.You act as a hoe
,cheap girl.
*Sallie:*aah iwe ndisiye
hangu ,ndiri kutoda one wacho
iye anozviti Tinashe akanaka
wacho.If possible will date
them all.

Ndakanzwa kubhowekama
nehunhu weumwe wangu
zvekuti ndakangosimuka nebag
rangu ndichinotsvaga pekugara
pamwe.Handina kuzombotaura
naye kusvika nguva dzekuenda
kumba dzakwana apa ini
mupfungwa ndaingofunga
Tinashe chete.Ndakati
ndakubuda gate rechikoro
ndokuona Sallie naDasy
vachifamba vese. Ndipo
pandakaona kuti vamwe vanhu
vanoda kunamatirwa chaiko
mweya yetsvina iyende saSallie
ainge asingamboziva zvake kuti
aingoshandiswa chete naDasy
wake iyeye. Ndakasiya
vakadaro handina kuda kutaura
navo ndokufamba ndoyenda
kumba zvangu zvekufamba
ndega ndainge ndatozvijaira.

Ndakati ndichisvika kumba


Dexta ndokuuya achimhanya
achiita kudeedzeresa *dady
nhasi taenda nemota
kuchikoro,apa manga muchiita
kunhuwirira sei mumota
macho.Apa mukomana wacho
ati anoda kugara nasis Danai
vakabvuma apa vanga
vachingonyara nyara*.Ndakaita
kunge ndafambwa nemasvosve
muhembe zvekuti ndakatadza
kana kumira ndega ndokugara
pasofa apa dady vainge vaita
kubuditsa ziso kunge
museve.Shuwa Dexta nekukura
kwese uko angaudze dady
zvinhu zvinorovesa shuwa.
*Dexta:*ko dady mava
kufemereka pamusoro
hanzii.iyeye munhu akaroora
sisi Dani tagarika shuwaa nekuti
mmm ane mari dzake.
*Dady:*iwe tinyararire uko
unoziva chii ipapa.Ndakona
munhu ava kusimuka
ndokubuda
panze.Ndakamvinzwa kufurwa
nemhepo kuti ndapota ko
ndaizivei kuti kuvaraidzwa
kwega kwega.Ndakatobuda
ndokunobvisa uniform
ndokuwacha kutodya
zvemanheru tichitotaura nyaya
tichiseka.Ndakati ndava kuda
kurara ndokuona door
richivhurwa dady vachipinda.
Ndakabva ndatoziva kuti ma1
aye atanga,ndakatanga
kubvunda ndakagara pasi
zvekuti mabooks andainge
ndakabata akadonha pasi.
*Dady:*eeeh vasikana ndauya
kuti mundiudze kuti muri kuda
zvechikoro here kana kuti
kuroorwa.Nekuti vamwe tiri
kutadza kudya tichikora tichida
kukufadzai.
*Me*: Ndoda kuenda
kuchikoro Daddy vakomana
ivavo tangovaonawo munzira
nhasi ende handitivazive
kwavanobva . Chandoziya
vangotibatsira pakuyenda
kuchikoro nekuti vanga
vachidarika nepachikoro pedu.
Zvimwe zvanga zvotaurwa
naDexta ndizvizivewo hangu
*Daddy*: Ndauya kuti
ndinyasonzwisisa mwanangu
uite zvakakurerukira hako.
Vakadaro vakaita kurova
serious.
*Dady:*am proud of you my
dotta pleasw dont disappoint
me.
*Me:*okay dady i promise.
Havana kutora nguva
ndokubuda,ndakati vachibuda
ndokusara ndichiita kutura
zibefu chairo nekuti baba vacho
ndaitoziva kuti havana nguva
yekubatanidza nemunhu.

Mazuva ekunyora maexams


akazosvika atainge takamirira
ndaiona zvichiendeka nekuti
zvandainge ndakaverenga
ndizvaiuya asi chinhu 1
chaindinetsa Salie ainge
asinganyore mamwe masubject
achiswera naDasy uyo
aizomudzinga kana oda
kuverenga. Ndakatanga
ndichimutsiura kupedzesera
ndazomusiya akadaro kusvika
tapedza kunyora . Ndakanga
ndichifara nekuti ndaiziva kut
kupasa waive mugariro.Ndakati
zuva ratakapedza kunyora
ndokuenda kumba sezvo tainge
tasarwa nethree weeks kuti
tinyore futi mafinal.Ndainge
ndatozvipa chitsvidzo kuti
ndaizouya kuchikoro following
week chete kuti ndiwane
kutora mapapers angu ndione
pandimire kuitira mafinal

The following day ndakamuka


ndakanonoka kumuka nekuti
yainge iri weekend
ndokuzomuka ndoita basa asi
muviri wangu wainge
wakangoneta ave maskati
ndakaona Salie akuuya achita
kufara chaiko
*Salie*: hie best
*Me*:hes .. Ukufarisa nei
kudaro nhaiwe
*Salie*: Ndikuyenda
kunoswera naDasy nhasi saka
ndauya kuti ndizokuudza kuti
ukazoona vanhu vekumba
kwedu unoti vanhu vanzi vauye
kuchikoro
*me*:Wazoda Dasy
zvekupfurikidza wakutoenda
kunomuona neweekend yese
*Salie*: Ichiri nguva yedu regai
timbofara kufa kwakauya uku
handiti iwe unozvita sister holy.
Handina zvimwe
zvandakazokwanisa kutaura
ndokumusiya oenda .
Ndopaunoona kuti rudo ibofu
shuwa Salie ainge akusafunga
zvehupenyu nekuda kwerudo.

Ndakasara ndokutanga kuita


basa rangu rese asi ndaiti
ndikafunga Tin tin ndainzwa
kunge ndiri kufambwa
nemasvosve muhembe pamwe
pacho ndaiona ndava kuseka
ndega zvekuti ndakazonzwa
mama vakuti
*Mama:*ko chii chiri kubva
chaita kuti mwana wangu aseke
kudaro.Kasi kwava
nemukwasha kani
*Dady:*iwe mai Dani ndiitire
mushe wanzwa.uri kukurudzira
mwana here kana kuti.
*Mama:*ndingaa kurudzira
kuita mukomana here nhai ba
Dee kana kuti kana asvika
pazera racho zvozviita zvega
zvekuti kana isu hatimbogone
kumutsiura.Imimi
monozozvinyanyawo ipapa
mwana haana kana nguva
yekuti anobuda pano ,ndizvo
zvinotuma vana kuita
musikanzwa izvozvo nekuti
paanowana mukana haadzoke
kumba.
*Dady:*unoziveiko iwe ndoda
kuti mwana wangu azodadisa
uyu kwete zvako izvo.Rega
ndikuudze mwana wangu
akangoita mimba chete ziva
kuti mobva mese pano nekuti
handinditeerera shura
rakadaro.

Ndakashamisika kunzwa Dexta


ava kuseka izvo
zvakavhundutsa vanhu vese
nekuti hapana aimbotarisira
kunzwa munhu anoseka
panguva yakadai.
*Dexta:*heeede seka zvako
Dexta iwe.Mumba musina Jesu
hamuna rugare shuwa.Akadaro
achibuda hake panze zvekuti
munhu wese akavhunduka
nazvo.Ndakaona mama
vakuseka kusvika imba yese
yava kuseka neshura ratainge
taona hedu.Pasina nguva
ndakaona ava kudzoka
achisekawo.
*Dexta:* sometime being silent
doesnt mean you are a fool but
is to maintan peace.
*Mama:*sorry mwanangu
tareswa ipapa.Ndakaona dady
vakugutsurira musoro
vachiseka zvako.Ndakati ava
masikati ndakatora mugoro
wangu ndokuenda kunochera
mvura.
Ndakati ndichitsiga mugoro
ndokuona kumberi kwangu
kwakamira .......

End of chapter 3
*CHAPTER FOUR*

Ndakati ndichitsiga mugoro


ndokuona Dasy akamira mberi
kwangu.Ndakashaya kuziva kuti
ainge abva nekupi sezvo
ndainge ndisina kumbonzwa
kufamba kwemunhu .
Ndakangomusiya akadaro
ndokufamba ndoenda .
Ndakazomira ave kunditi ndine
nyaya yakakosha sezvo
ndainge ndiri munhu anoda
nyaya ndakabva ndatomira.
*Dasy:*mm eeeh Dani you
know what..I love you ,can you
be my bae.
*Me:*hezvo ukati mwana iwe
haushure here iwe.Ndakadaro
ndichidzikisa mugoro wangu.
*Dasy:*ndiri kutorevesa ;Sallie
ndimude ini ndiye
anotondimanikidza kumuda
*Me*: Ibva zvako kuuya
kuzondinyangadza pamberi
pangu . Ungati ndingade iwe
kuti ndashayei
*Dasy*: Kkkkk sanyepere kunge
usingandide iwe wagara
uchindida kare . Chingotaura
kuti ukunyayara
*Me*: enda unopengera
kwawakaroyerwa wanzwa
*Dasy*: manje hauna
kwaurikuyenda kana usina
kundiudza reply yangu
Ndakaona ave kundivharira
nzira ndokumudira mvura
yainge iri mumugoro mangu
ndokumhanya ndakuenda
kumba ndichimusiya
akangomira ipapo.Ndakasvika
kumba ndichiita kufemereka
pamusoro izvo zvakavhundutsa
mama ndokubuda mumba
vachimhanya.
*Mama:*chii mwanangu..taura
neni kani Dani iwe.
Ndakaita nguva
ndichingofemereka kusvika
ndadzikama.
*Me:*ndanga ndichitandaniswa
nevamwe varume so vanga
vane mota.Ndakabva ndakanda
mugoro pasi ndokutiza ini.
*Mama:* maiwe kani!!! BaDee
budai kani panze.Mwana
wangu wedangwe ava kuda
kupiwa nabhinya.Maiwe
kani!!!.vaiita kuridza mhere
vachizvirovera pasi apa ini
ndaiita kuseka zvangu
nechemumoyo kuti ndibate
ndakaida kuona hangu drama
remahara iri.Pasina nguva
ndakaona dady vakubuda
vachibva kunogeza vakapfeka
trouse chete apa vane sipo.
*Dady:*hanziiko mai Dee kubva
waita ruzha sekwafiwa kudaro.
*Mama:*mwana wangu kani
,abiwa namabhinya.
*Dady:*mwana upiko nhai iwe
uta semunhu mukuru
mhani.Inga vana vese varipo
wani.Ndatobuda ndichiti
hameno zvaitika ini.

Vakadaro vachifamba
vachidzokera vachiratidza
kubhowekana.Ndakaenda
painge pakarara mama
ndokuvasimudza ndichienda
navo mumba.Pasina nguva
ndakaona Sallie asvika apa
kazara magumbeze
mumusoro.Ndakamubata
ruoko ndokutanga kufamba
naye tichibuda gate asi hakuna
kure kwandakaenda Dady
ndokutanga kundideedza
ndakaita kunzwa kubhowekana
ndokutanga kufamba
ndichienda kwavaiva apa Sallie
ainge akangomira chete.
*Dady:*handidi mwana anoita
chenzira enda unoverenga
mabooks tione.
Ndakatanga kufamba
ndichikweva makumbo apa
misodzi achiyerera.Zvimwe
zvinhu zvaiitwa nadady zvainge
zvava kundibhowa manje.
Sallie akabva auya pandainge
ndiri ndokuti ndakufunga
kunotsvaga Tynsh.Hana yangu
yakaita kurova ndokumupa ziso
izvo zvakaita kuti Salie aseka
zvakanyanya.Ndakatoshamisika
kuti aimbosekei mwana uyu
kasi ainge apiwa
musombodhiya naDasy kani
nekuti zvainge
zvanyanya.Ndakanzw dady
vangu vakuti *Enda
ukurumbidze kudzoka
tione*.Ndakavatenda
ndokutanga kufamba naSalie
apa ainge achiri kungoseka
chete.
*Sallie:*dady vako
vanozvinyanyawo vangabva
vakuita muranda kudaro kana
iyo imbwa
inozombosunungurwawo wani.
*Me:*iwe zvime basa rei
izvozvo.Kwete iwe mombe
yemashanga saka musoro
magumbeze ari kubvepi.
*Salie:*hezvo ko kundipedzera
hasha hadzii.Do you forget our
theme my dear *Learn to mind
your own business*

Ndakangokwanisa kuvhura ziso


nekuti shamwari yangu yainge
yapanduka diko.Ndakanzwa
kuvenga Dasy shuwa angabva
aita satan muhupenyu waSalie
here.
*Me:*chimbomirai kunyinhura
mai nhanha.Magumbeze ari
kudei mumusoro
ayo.Pandakadaro akaratidza
kuvhunduka ndokutanga
kubata bata musoro wake.
*Sallie:*iii its a long story my
dia.can you help me to remove
them.
*Me:*do you mind to make it
short for me.ndakadaro
ndichibvisa magumbeze aya
nekuti ainge achiratidza kutya
izvo zvakaita ndinzwe tsitsi.
*Sallie:*nhai zvako iwe Dasy
asvika akatota achibva
kunotenga mapillz hanxi
ndadirwa mvura neshamwari
yangu.
*Me:*mapillz eyi nhai Salie kasi
muri pachirongwa kani.
Ndakaona Sallie achiita kukama
ndikaziva kuti something was
fishy here asi handina kua
kuramba ndichibvunza sezvo
ndainge ndaunzwa kudhara kuti
*learn to mind your own
business madam*.Ndakaona
ava kutarisa pasi mwama
wevanhu ndikaziva kuti ichi
chamubaya chete.
*Me:*saka uri kundiudzirei iwe
wamboti learn to mind your
own business.itai yamunoita
mai nhanha ini ndoitawo
yangu.Asi muchazotidawo.
*Sallie:*didnt mean to say that
my sister.akadaro achichema
izvo zvakaita ndinzwe tsitsi.
*Sallie:*Dasy forced me
too.....haana kupedza zvaaida
kutaura Dasy ainge asvika
ndokusvika achibata ruoko
rwaSallie.
*Dasy:* Sallie hande,leave this
good for nothing friend of
yours.
*Me:*take care of yourself my
sister.Ndakadaro nekuti ndaida
kurwadzisa Dasy ,Sallie
akangodaira zvimwe chete
ndokutanga kufamba
vachienda.
Ndakaita nguva ndakamutarisa
sezvo ndaida kuona zvaigaro
taurwa nevanhu kuti munhu
akabva kurara nemukomana iri
first time take step
inochinja.Ndakashamisika
kuona step yake isina kana
kumbochinja ,zvakandinetsa
kuti Salie aimboedza kutiiko
nekuti ini ndakaona mafambiro
ake ariwo.Ndakazotoita
zvekuvhunduka ndanzwa Dexta
akundideedza ari kumba
ndokutanga kumhanya
ndichiendako.Ndakasvika
kumba ndokutanga kugadzirira
zvekuchechi sezvo taienda zuva
raitevera racho.Following
day,takati tava kubva kuchechi
ndina Dexta ndakashamisika
kunzwa Dexta akungonetsa
mota iyo yainge yakamira
pamashops.Handina kuda
kumuteerera sezvo ndaiziva
kuti ndibhudhi wedzungu ava.

*Dexta:*sis Dani honai mota iya


yemukomana wenyu uya.Iyo
yakamira apo.
Ndakamboda kumudira mweya
asi ndokuzvidzora semunhu
aibvawo
kuchechi.Pandakasimudza
musoro ndakavhunduka kuona
iri mota iyo yandakaona ina
vana Tin Tin.Ndakaita kunzwa
mufaro asi ndakashaya kuziva
kuti ndosvika sei ikoko nekuti
ndainzwa kuda kuona Tin tin.
*Dexta:*ndozviziva kuti muri
kuda kuona Tynash
wenyu.Handeu tino tenga
mazadzadama apo.
Ndakanosekerera nekuti benzi
rainge randibatsirawo nekuti
ndainge ndatoomerwa.

Takatanga kufamba tichienda


apa hana yaiita kurova.Ndakati
takusvika pamota ndokuona
muna Tynash akagara neumwe
musikana uyo ainge akanaka
zvekuti ndega ndakapa
kutenda.Apa vaiita kuseka
vakatarisana musikana uya
akarara pachipfuva
pake.Ndakaita kurwadziwa
zvekuti ndakashaya simba
rekufamba ndokuramba
ndakamira.Ndakaona Dexta
achiramba achifamba
,pandakaisa ziso rangu kumota
ndokusanganidzana maziso
naTynash iye paakandiona
akangosekerera ndokutarisa
divi izvo zvakaita ndirwadziwe
zvakanyanya ndokuzvishingisa
kufamba ndichienda kunomirira
Dexta.Pasina nguva ndakaona
Dexta akubuda mushop
ndokuuya kwandainge ndiri
achimhanya kana kumbotarisa
kuti muroad mune mota here
apa kwaiuya mota
yaimhanya.Kuti abude munzira
akashaya simba nekuti ainge
avhunduka ,ndakazongoona
ndava kumhanya
ndichimubvisa muroad
ndichinovira pamusoro pake.

Takaita nguva takadaro


,ndokuzoita zvekusimudza
neumwe murume apa Tynash
achisvikawo.Ndokuuya
pandainge ndiri ndokusvika
achindibata ruoko.
*Tynash:*are you okay Dani.let
me take you to the hospital.
*Me:*no thank you,we are
fine.ndakadaro ndichibata
Dexta ruoko ndokutanga
kufamba tichienda kumba apa
Dexta ainge ava kuchema
zvino.Takati tichisvika kumba
ndokuenda muimba yangu
yekurara ndokutanga kuchema
ndirimo kusvika Dexta apinda.
*Dexta:*am sorry sis
Dani.please dont tell dady.
Ndakangokwanisa kugutsurira
musoro sezvo ndainge ndava
kunzwa musoro nekuchema.
Vana mama vakazosvika
ndakarara ndokuvanyepera kuti
ndairwara.Zuva rakatevera
racho ndakati ndichifamba
kuenda kuchikoro ndiri ndega
sezvo Sallie ainge asina kuuya
achinditora.Ndakati
ndichifamba kudaro
ndokunzwa mazwi evanhu
vaitaurira pasi uye pane rimwe
rairatidza kuti munhu ari
kuchema.Ndakatanga kufamba
ndichienda ikoko.Ndakati ndava
kusvika ndakavhunduka
kunzwa munhu akandibata
ruoko,pandakati chicheuke
ndakavhunduka kuona pamberi
pangu pane zi.......

*End of chapter 4*
CHAPTER 5

Ndakati ndakavhunduka
kunzwa munhu andibata ruoko
pandakati ndicheuke ndokuona
zidatya pamberi pangu
ndakaridza mhere
yakavhundutsa vanhu vese
ndakazoona kuti munhu ainge
andibata ainge ari Sallie ainge
ave kutondinyararidza.
*Sallie:*wanzwa vanhu varidza
mhere apo.Handei tinoona kuti
ndivanani.Takatanga kufamba
tichienda ikoko ndokusviko
sangana neshura chairo ainge
ari Kelly naDasy vachipfeka
hembe.Sallie akaita kuridza
mhere achienda kwainge kuna
Kelly ndokusvika achimupa
mbama yakarira . Panguva iyi
handina kukwanisa kubata
ndaida kumboona firimu
remahara panguva yandakaona
kuti Sallie ashanda ndakaenda
kunomubata kuzotarisa kudai
Dasy ainge asisipo atotiza kare.

Ndipo pandakaona kuti shuwa


*love* is a dirty game
sometimes vana vainge vorwira
munhu atoenda kare aingoda
kungovashandisa chete.
Ndakabata Salie wang roko
ndokuyenda tichisiya Kelly
akarara pasi.
*Me*:Handiti wazvionera wega
kuti muri kutoparadzirwa life
yenyu naDasy iye yake achivaka
*Salie*:Nhasi ndarwadziwa
Danai dai hangu ndakaterera
zvawaitaura . Panguva yacho
ndaitoona senge wakapusa but
waitoziva zvako .
*Me*: Chirega kuchema Sallie
unofanira kuziya Mwari
muhupenyu hwako hauzorasike
futi
*Salie*:Dai ndakaziva ndisina
kumupa humhandara hwangu
nhasi ndisiri kumbochema
kudai. Ndaifunga kuti kusimbisa
rudo ndisingazive kuti
ndaizvikanda mugomba
reshumba.
Ndakangokwanisa kuvhura
ziso,kana chekutaura
ndakachishaya.
*Sallie:*say something please
Dani,,,but dont judge me.
*Me:*wandirwadza Salie ndiani
akakuudza kuti kurara
nemunhu ndiro
rudo.Unonyepedzera kugwara
handitika ,ipapa uchagona
kugara here kana kuti wava
kutozvida pese pese.Iye Dasy
wacho dont think
uchamuramba ini,nyangwe
ukada kutiza zvakaita sei your
love for Dasy will never die.
Ndakadaro tichisvika muclass
aoa Sallie ainge achiti una una
zvino apa ainge asina kunyora
maexams epamusana
pabharanzi wake.Ndakati
tichipedza kupiwa mapapers
edu eScience ndaitofara kuti
ndainge ndakapasa ndakaona
Dasy akulinda muclass zvekuti
ndakaita kunzwa hasha.Asi
ndakazozvidzora sezvo tainge
tiri muclass.Akasvika ndokuuya
patainge tiri ndokuti *You
know what Sallie ,i love you so
much.Those girls i dont love
them but thy just through
themselves to me.Im a man
Sallie sometimes i failed to
resist the tempatation.And you
Dani am sorry about what i did
to you yesterday,dont know
what got into me l love you
friend so much.You dont
deserve a guy like me Sallie
,you give me love but i treat
you bad.Please find a place in
your heart to forgive
me*akadaro ndokutanga
kufamba achibuda.
Ndakaona Sallie akusimuka kuti
atevere apa ndipo pandakaona
kupusa kwese ,ndakaita kunzwa
hasha chaidzo kuti ndiro rudo
rwacho here irworwu.
*Me:*hey take a chill pill
madam.muri kutungamidza
makumbo kuendepi.Tibverei
apa nekuti auya pano
achiburitsa misodzi
makutobvuma.Tikwanirei hedu
isu ,ndosaka achikuitika
wakanyanya iwewe.
*Sallie:*you dont understand
coz you have never been in
love.I love that dude Dani ,am
no good without him .Am ready
to do anything to get him back.
Ndakabva ndanyarara ko
ndainge ndaunzwa tanguzve
,ndipo pandakatanga kufunga
kuchema kwandainge ndaita
ndichiona Tynash ndipo
pandakaziva kuti haisi mhosva
yake asi chinhu chinonzi rudo
hapana anochigona.Unoona
kuitiswa kweumwe kana
kutadza kweumwe asi kwako
haukuone.

Ndakaona Sallie akusvika


padoor ndokudzoka achisvika
gara pasi achiisa musoro
padesk ndikaziva kuti kuri
kuchemwa chete uku.Handina
kuda kumutaudza asi moyo
wangu wairwadza ndokufunga
kuenda kunomutengera
stumbo iro raaifarira sezvo
ndaingova ne 10c
chete.Ndakati ndava kudzoka
ndokusangana naKelly akamira
neumwe mukomana pakona
vachiita kunhafana havo.Ndipo
pandakaona kuti she was
possessed indeed ,ndakaita
maone ndokuenda ipapo nekuti
vanhu vakaita saKelly ndivo
vataidazve.
*Me:*ehe makuda kupedza
chikoro chesezve.Ko unouya
uchiudzawo maiguru vako kuti
mava kuda kumbocheata
murume kuti ndikazokuona
ndizokuvharirei kana baba
vazvibata.Zvino zvamunenge
muri kuita chihure chacho
pachena murume anoonazve.
Ndakaona munhu ava
kungovhura ziso achiita
kumamhanyisa mhanyisa
serwaizvi.Ndakanzwa
mukomana uya ava kudairira
*Him:*iwe Kelly taura nyaya
yako ,chii chiri kuitika
panapa.Thought your are
loyal ,dont date bitches.
*Kelly:* let me explain please
bae.

Haana kupedza zvaaida kutaura


arowa mbama achinogara
muvhu,Handina kuda kuramba
ndiripo ndokutanga kufamba
ndichienda asi ndainzwa kufara
chaiko ndainge ndawana
pekumubatira asi ndainge
ndisati ndapedza.Ndakasvika
muclass ndokuona Sallie
achiverenga izvo zvakaita
ndifare ndokumupa stumbo
ndokutanga kuverenga pamwe
chete kusvika nguva dzekuenda
kumba dzakwana uye tainge
tapiwa mapapers edu
eMaths ,English neScience apa
ndainge ndakapasa ese asi
Sallie aingodemba
demba.Ndakati tichibuda gate
ndokuona mota dzainge dziri
four ndikaziva kutu hakuna
umwe kunze kwana Tynash asi
zvakandinetsa kuti aimbova
chiiko aifamba nemota
dzakawanda kudaro.

Handina kuda kuramba


ndakamira ndokutanga
kufamba tichienda kumba.
Ndakaona kuti shamwari yangu
yaive isina kugadzika
mupfungwa make ndikatanga
kumuudza nyambo kusvika
akuseka.Mota dziya hadzina
kumbomira dzaitofamba dziri
mufull speedy.
*Sallie:* am i sinner Danai.what
can i do for God to forgive me.
*Me:*fornication yakashata
Sallie ,pauri ipapa dont think
you are ready to repent.You
have to know this panguva yese
yaunorara nemunhu mademon
ari paari anouya pauri and you
will be creating a soul
tie.Ukararawo nevanhu hobho
mademon evanhu vese ivavi
kuuya pauri.Ndosaka zvichinzi
no sex before
marriage,murume wako
wekutanga ndiye waunofanira
kutanga kurara
naye.Chandakuto kukurudzira
kutonamata Mwari vapindire
mulife mako.
Ndakaona Sallie akuita kugara
pasi achichema izvo zvakaita
ndinzwe tsitsi ndokutangawo
kuchema pamwe chete.
*Salie:*i messed up big time.
*Me:*we all learn from our
mistakes.ko mapiristi anga ari
iye aibva kunotengwa naDasy.
*Salie*: Mapiritsi efamily
planning ndatove netwo
months ndichimanwa
*Me:*Ubva wasiyana nazvo
hako nekuti hazvina
zvazvinobatsira muhupenyu
unorasika.Ndovimba wanzwa
mashoko angu nekuti handina
zvandoda kutaura newe
zvakawanda.

Ndakamudza nyaya kusvika


akanganwa kuti ambochema
ndokumuperekedza
kunomusira kudhuze nekumba
kwavo ndokuenda hake kumba
asi ndaiita kumunzwira tsitsi
nehupenyu hwaainge ada
kurarama . Ndakasvika
ndakangoneta pamba
zvakaonekwa namhamha kuti
pane zvaindinetsa.
*Mhamha*: Chii chirikukunetsa
mwanangu nhasi ahusi kufara
*Me*ndikutofunga zvangu kuti
nguva yekunyora maexamz
yakukwana saka panoda
kushanda nesimba. Ndaisada
kuudza mai vangu chokwadi
nekuti ndaiziva kuti
vaizondirambidza kutamba
naSallie ndokuvanyepera asi
semunhu mukuru vakazviona
kuti ndanyepa ndokundisiya
ndakadaro vachienda
kunopedzesa kubika
zvemanheru. Vachibuda
ndakabva ndabatirwa nehope
ndokuzovhunduka
ndakumutswa namhamha kuti
ndizodye ndipo pandakazoona
kuti ndainge ndisina kubvisa
uniform . Ndakanodyawo
zvekungoda kufadza amai
vangu asi kudya ndaimboda.
Ndichipedza kudya handina
kuda kuita nyaya nevanhu
ndokungonorara zvangu ndisina
kuverenga kana kunamata.

The following day ndakamuka


ndokugadzirira zvekuenda
kuchikoro ndokuenda naDexta
wangu kuchikoro. Ndakawana
Sallie asati auya kuchikoro
ndikatanga hangu kuverenga
ndichifunga kuti aizouya asii
ndakatoona tadzidza kusvika
pabreak asina kana kuuya.
Hana yangu yakatanga kurova
zvakanyanya ndichifunga kuti
nei ainge asina kuuya kuchikoro
zuva iri sezvo vabereki vake
ndaiziva kuti havatodi munhu
airovha kuchikoro. Takadzidza
zvedu zvakanaka kusvika nguva
dzekuenda dzakwana.
Ndakafunga kudarika nekumba
kwaSallie ndichiona kuti ainge
atadza nei kuuya kuchikoro.
Ndakati ndafamba zvishoma
ndakaona shura chairo kumberi
kwangu....

*END OF CHAPTER 5*
*CHAPTER 6*

Ndakati ndichifamba ndokuona


kumberi kwangu kune shura
chairo ainge ari Sallie uyo ainge
akaita kuti rabada pasi zvekuti
ndakaita kushaya pekubata apa
aibuda furo
mumukanwa.Ndakatanga
kuridza mhere kuti ndiwane
vanhu vanondibatsira asi
ndakashaya ndokumusimudza
asi ndaiti ndikafamba
ndodonha kusvika ndaona
mota yaibva kure
ndokumhanya kuroad
,ndakashamisika kuona ina
Leon iye paakandiona
ndokumisa mota padivi
ndokuuya pandainge ndiri.Kana
simba rekutaura ndainge
ndisina ndaingonongedza
chete.Iye anenge akazviona
ndokutanga kufamba achienda
kwandainongedza kana simba
rekutevera ndakarishaya.
Pasina nguva ndakaona Leon
akuuya achimhanya akabata
Sallie ndokumuisa mumota
ndichiteverawo.Takati tichisvika
pachipatara manurse ndokuuya
achitora Sallie ,ndakazotoitwa
zvekubatwa naLeon nekuti
ndaida kuendawo.Leon
akandisiya kusvika ndadzikama
ndokundibvunza zvainge
zvaitika apa aiita kutaura
nekazwi kaitekenyedza.
*Me:*handisi
kumbonyadzoziva
zvaitika,ndangomuona akarara
muroad asi ari kuratidza kuti
anwa mushonga uyu.
*Leon:*but you are her friend
Dani.Hapana zvaakambokuudza
here zviri kumunetsa.
Ndakaona zvakanaka kuudza
Leon zvese zvandaiziva.
Ndakaona Leon ava kubata
maoko angu izvo zvakaita
ndivhunduke ropa rangu
ndokumhanya nekuti ndainge
ndisati ndambobatwa
nemunhu ane maoko ainge
akaita seaLeon.
*Leon:*lets pray for your friend
Dani.Mwari vapindire nekuti
anenge akwara
zvakanyanya.Takabatana
maoko ndokutanga
kunamata.Takati tichiti amen
ndokuona pamberi pedu
pakamira vamwe gogo avo
vaiita kusekerera ndokuti *Yeah
as couples you have to pray
together.May God bless you my
children.*Ndakangotarisana
naLeon nekuti taisatarisira
kuona zvakadai uye kunzwa
izwi.
*Leon:*dont mind her ,so how
old are you Dani.

Pandakati ndidavire ndakaona


umwe musikana achifamba
achiuya patainge tiri
ndokumufananidza nemusikana
wandainge ndamboona ana
Tynash mumota.Ndakaona
Leon akundibata ruoko
tichisimuka izvo zvakandinetsa
kuti aitizei.Takati tava kuseri
uko kwainge kusina vanhu Leon
ndokuti tigare ipapo asi ainge
apfeka hat yepajacket rake
kuratidza kuzvivhara.
*Me:*thanks for helping
me.Ndakadaro ndakatarisa pasi
izvo zvakaita kuti Leon
asimudze musoro wangu kuti
ndimutarise apa ndaiita
kunyara.
*Leon:*usandinyare Dani
handidye vanhu ini.Kana kuti
uri kushamisika nekuzvivhara
kwandaita kuface.ndanga ndiri
kufanira kuenda kumeeting
saka ndarega nekuda
kwekukubatsira.Ndafonera
Tynash but eish my brother is
something else.
*Me:*inga une moyo wakanaka
Thanks again.
*Leon:*dont thank me but we
are all born to help each
other.Nomatter how difficult
the situation you find yourself
in,still do good to others.

Ndakangokwanisa
kusekererawo nekuti eish Leon
pakusekerera here ainge ari
shasha hake apa ndaibva
ndanzwa kuchoka choka
mabhonzo.Ndakatanga kufunga
kuti chii chaimboitika pandiri
nhai zvandiri kunzwa pano
ndina Leon zviri kumborevei
nekuti zvandainzwa ndina
Tynash zvainge zvasiyana kuti
inyaya yekuti Tynash kubva
pandakamuona ane musikana
ndakabva ndanzwa kumumaka
zvakanyanya.Ndakanzwa izwi
raiti *"boys are the some
Danai,usafurirwe nemafeelings
ndipo pakuzoita zvana
Salie"*.Ndakatoita
zvekuvhunduka Leon andibata
ndokuti tiende uko kwatainge
tadeedzwa naDoc asi
chaindinetsa vanhu vazhinji
vataifamba navo vaitipa nzira
kuti tifambe asi Leon airatidza
kusazvifarira.
Takati tasvika muroom maDoc
hana yangu yainge yava kurova
zvino Leon ndokuuya pamberi
pangu ndokundimbundira achiti
"dont be scared please,God is
in control".Mmm Leon was
somethings else ndakapa hangu
kutenda .He was caring
ndakaba kutenda zvekuti
paakandimbundira ndakanzwa
kudziirwa uye kukanganwa
nhamo dzese.
*Leon:*beautiful girls dont cry
anty.akadaro achipukuta
misodzi
pamatama.Ndakashamisika
kuona Doc vachisekerera.
*Doc:*hello my pr.
*Leon:*no no no call me
Leon.Im Leon.
*Doc:*okay sorry Leon.You love
your girlfriend so much.l like
it ,May God bless your
relationship.
Leon akangondipa ziso
achisekerera .
*Leon:*thank you Sir.How is
she?
Ndakabva ndatovhura nzeve
nekuti ndaidawo kunzwa apa
Leon ainge akandibata ruoko.
*Doc:*mmm She is a bit
fine.Dai matinonokei takutaura
zvimwe.Asi nenyasha dzeDenga
ararama,asi akanganisika
zvakanyanya mushonga
waanwa wakanganisa
matumbu ake.

*Leon:*its okay,itai zvese


zvinodiwa am going to pay
everything.Touya tichimuona
mangwana sezvo mati nhasi
hatikwanise.Ndakarwadziwa
nekuti ndaida kuona Shamwari
yangu uye kuti ndimubvunze
kuti ainge afungei hake nekuita
izvi.Takabva taoneka
ndokubuda asi kunze kwainge
kwava kuda kutosvika nekuti
kuchikoro tainge tabva
na1.Hana yangu yainge yava
kurova zvino izvo zvakaonekwa
naLeon ndokundimbundira ava
kundiudza mashoko esimbiso
apa ndipo pandakaona kuona
uyu zvainge zvitori muropa
zvekumbundira vanhu ndainge
ndava kumupa hug addict.

Ndakati tava kuda kusvika


kumba ndokuudza Leon kuti
ndaida kutanga taenda kumba
kwana Sallie nekuti vanogona
vachinetseka kuti aripi.Haana
kuita nharo ndokuenda ikoko
,takati tichisvika amai vake
vakaratidza kuvhunduka
ndokuuya pandainge ndiri
vachichema.
*Her:*umwe wako afunga
kuzviuraya Dani,mwana wangu
umwe chete here nhai
Mwari.Inga wani kutadza kuri
muvanhu nhai .Anga zviuraira
mukomana here.Apa ndiri kuri
kushaya kuziva ndotangira papi
ini hangi shirikadzi
kunomutsvaga kwaazviuraira
Ndakaona Leon akubudawo
mumota ndokuenda apo
ndainge pakarara Mai Salie
ndokusvika achivasimudza apa
kuchena kwaainge akaita haana
kumbozvitsvaga nemadhaka
ayo ainge ana Mai Sallie
ndokivambundira.
*Leon:*Musachema mama
,Sallie haana kufa.She is okay
,like now ari kuchipatara
awanikwa naDani akarara
munzira.
*Her:*heee wati mwana wangu
mupenyi heee.Vakatanga
kutamba waizomboziva kuti
ndivo vanga vachichema here
nguva yese iyi.
*Her:*thank you Lord,tsamba
yaanyora ndatoiona
izvozvi.Mwari makanaka
zvimwe zvese handisisina basa
nazvo chakakosha kuti mwana
wangu mupenyu.Leon akatanga
kuvaudza zvose zvainge
zvataurwa naDoc ndokuvaudza
kuti vaizoenda kunomuona
mangwana.Vakamboda kuita
nharo kusvika vanzwisisa
havo.Takazooneka tava kuenda
kumba kwedu uku ndiko
kwainge kune hondo yese.
Takati tichisvika ndokuwana
dady vakamira vachiratidza kuti
vari kunetsana mama nekuti
mama vainge vakagara pasi
vachichema.
*Leon:*nhasi ndichaonerera
vamwe amai vachirowa.Ini
ndichatoto ndamuwana
achirowa nemumwe
mukomana achiti adhumanisa
saka ndanzwa tsitsi
ndokumuudza kumba nekuti
vakomana vacho vanga vachida
zvekutomuita yavaida.
Ndakatanga kuseka asi hana
yairova ndokuburuka
mumota.Mama pavakandiona
vakaita kusumuka muvhu
ndokuuya vachimhanya
kunondimbundira apa dady
vachitevera kumashure
vachipopota.
Asi pavakaona Leon vakabva
vanyarara ndokupfugama pasi
*Dady:*how are you my Prince.
Ndakaona Leon ava kuenda
painge pana dady
ndokupfugamawo
*Leon:*am fine ,how are you
my father.

Ndakavhunduka kunzwa kuti


Leon ndiPrince nezvose zvaaiita
nhao kuzvininipisa kudaro saka
zvairevawo kuti Tynash
ndiPrince futi here.Mama
vakaratidza kuvhunduka nazvo
uyu kupfugama muvhu izvo
zvainge zvakaita
Leon.Ndakaona dady
vakushaya zvekuita
ndokusimuka vese naLeon
ndokupinda mumba.Leon
ndokuvarondedzera nyaya yese
ndokuoneka sezvo nguva
yainge yaenda.
Ndakati ndava panze ndokuti
ndaida kumubvunza kuti
aimbozviitirei zvekuzvibata
kunge munhu asiri wemuRoyal
family kudaro asi akabva
ndimhanyira iye.
*Leon:*Danai you have to
know this ,vanhu takazvarwa
zvakasiyana uye ini newe
takafanana zvekuti ndiri Prince
izvo zvina basa nekuti tese
tinopi da muloo.
Ndakaita kuseka nezvainge
zvataurwa naLeon ndokumuti
aende nekuti nyaya dzacho
dzaisambopera.

Dady hapana kana


zvavakabvunza asi vairatidza
kuti pane zvavari kuda
kubvunza iniwo handina kuvapa
mukana ndokuenda kunorara
sezvo ndaida kuenda kunoona
Sallie mangwana namai
vake.Following day ,ndakamuka
ndokuita basa rangu
ndokuenda kunotora mai Sallie
ndokutanga kufamba tichienda
kuchipatara.Takati tiri pakati
pekufamba ndokuona kumberi
kwedu kuchibva mota yaiita
kumhanya kana kuti tibude
muroad tainge tanonoka .Mota
yakasvika ichimira pamberi
pedu apa dust ainge raita
kuzara kana munhu akabuda
mumota handina kukwanisa
kumuona asi akabuda achiita
kupopota *"munoda kundiitira
ngozi here imi ,muri kuona
kunge road yababa venyu here
inoyi,guards !!
guards!!"*akadaro achideedza
kuti guards izvo zvakandinetsa
kuti aimboreveiko.Ndakazinzwa
akuti *"i want you to discipline
this rats,Am The Prince no one
stand in my Way"*

Ndainge ndazvininipisa zvino


apa Mai Salie vainge
vandimbundira.Pandakasimudz
a musoro kudai ndokuona ari....
*

*CHAPTER 7*
Pandakasimudza musoro
ndokuona ari Tynash iye
paakandiona kana
kumbovhunduka kana kunyara.
*Tynash:*leave them akadaro
achiita kudedzeresa izvo
zvakaita kuti ndikanuke nazvo
maguards acho aitoratidzawo
kutya.
*Me:*am sorry my Prince..ko
ndainge ndatozviona kuti baba
ava vaida rukudzo
rwakanyanyazve.
*Tynash:*its okay my
angel.ndanga ndatoti zvivanhu
zvisina basa manje ndanga
ndichida kuvaratidza kuti ndiri
*PRINCE TYNASHE.*
Ndakati kana nazvo hangu
,zvimwe zvinhu hazvidi kudaro
shuwa.Akabva auya pandainge
ndiri apa ndainge ndava
kutosvotwa naye.
*Tynash:*to be frank with you
Danai ,you are so beautiful.Do
you mind if you be my
sidechick.Akadaro akaita
kunditarisa apa ndipo
pandakanzwa kuti aitonhuwa
hake
hwahwa.Ndakangokwanisa
kusuduruka ndichimusiya
achiita kuseka sebenzi ndokuti
*you are the first one to refuse
to date a nigga like me*

*Me:* what so special about


you being a Prince.Tese
tinotoendawo kuloo so mind
you words nxaa.Ndakadaro
ndichibata ruoko rwaMai Sallie
avo vainge vasisagone kana
kumira nekubvunda.Takazoona
mota dziya dzakudarika asi
handina kuzvitsvaga.Pasina
nguva ndakaona kumberi
kwedu kwamira dzimwe two
ndokuburuka maguards ainge
akapfeka zvakafanana
nezvainge zvakapfekwa
nevainge vana
Tynash.Vakaenda
ndokunovhura door Leon
ndokubuda asi aiita kupopota.
*Leon:*ndakati chii nenyaya
yekundivhurira door kunge
ndisina maoko angu uye
ndosaka ndanga ndaramba kuti
muende neni.Izvozvi chisarai
pano ndoenda ndega.
*Guard 1:*My Prince akabva
agamwa naLeon apa akaita
kubuditsa ziso.
*Guard 1:*am sorry Leon but
Queen akaona tisina imi
topinda ma1.

*Leon:*okay lets go but dont


treat me like a baby please.
Ndakaona maguards aya ari
matatu achiseka ,kutosiyana
neyaTynash ayo aitomutya
hake.
Leon akabva akatanga kufamba
achiuya patainge tiri
*Leon:*makasimba here
mhamha.ndakaona Mai Sallie
achivhunduka nazvo apa ini
ndaitoseka hangu nekuti Leon
ndainge ndatomujairira.
*Leon:*am sorry about what
my brother did.He was drunk
please forgive here.
*Me:*kkkk kasi ndizvo
zvaakutuma kani or on his
behalf.Uummm didnt know
ndizvo zvaari Tynash ,he is full
of himself.Noita kuzviitira
macall back.Manje ini
ndotomudyira bhonzo.
Ndakaona Leon nemaguards
ake vachiseka izvo zvakaita
ndinyare ndokutarisa pasi.
Leon akabva auya ndokundipa
ruoko ndichipinda mumota
ndokuenda
kuchipatara.Takasvika
ndokuwana Sallie akamuka
paakationa ndokutanga
kuyeredza misodzi izvo zvakaita
nditadze kuzvidzora
ndokutanga kuchema.Ko
vamwe vanga vari addicted to
hug ,he come and embrace me
zvekuti i feel very comfortable
in his arm .
*Leon:*when you are feeling
low ,you need someone to cry
on and embrace you like this.
Ndakaona Sallie akunyarara
achititarisa neziso raireva
zvakawanda.
*Mai Sallie:*my daughter nei
wakapindwa nepfungwa
dzakashata kudaro.
*Sallie:*its a long story
mama.How can i do such a
stupid thing like that.
*Me:*do you mind if you make
that long story short.

*Sallie:*mama handitombozive
kuti chii chakaitika,even now
am still confused.Chandichiri
kurangarira ndakabuda mumba
ndichida kuenda kunotsvaga
huni sezvo ndainge ndamuka
ndakaneta handina kukwanisa
kuenda kuchikoro uye zvainge
zvisina basa nekuti tainge tisiro
kudzidza asi kuverenga tega
sezvo tasarwa neweek kuti
tinyore.Ndakati ndichifamba
ndokusangana neumwe
musikana kana nanhasi
handimuzive.Magara
munozivawo ndiri munhu
anoda nyaya uye asingadade
munhu wese ishamwari yangu.
Akadaro ndokumbomira apa
airatidza kuti ari kurwadziwa
zvakanyanya asi aizvishingisa
hake kutaura.

*Leon:*kana uri kurwadziwa


unozotaura patinodzoka nekuti
you are in pain Sallie uri
kuzvikuvadza.Akadaro achienda
kudoor ndokubuda,pasina
nguva ainge adzoka akabata
plastic bag ndokubuditsa
yorgurt nemalite foods achipa
Sallie kuti adye.Ndakaona Sallie
akusekerera ko pakudya apo
ainge asina mangwana.
*Sallie:*thanks for caring.But
lets me just tell youthe whole
story now.Musikana uya
akandiudza kuti ainzi Tania
akabva abuditsa drink rake
nechimwe chigubhu chainge
chisina chinhu ndokuisa drink
imomo ndokundipa.Ndakati
ndichinwa ndokutanga kunzwa
dzungu uye mudumbu
kurwadza kusvika ndadonha
pasi musikama uya handina
kuona nekwaakaenda nako
ndakazotopepuka ndava
kuno.Akadaro achiyeredza
misodzi.
*Leon:*okay Dani handiti you
know the place you find her
body.Lets go there now
now.Mhamha you can stay
henyu,visit ikapera munouya
nemaguards ndivo vari kusara
akadaro ava kutobuda padoor.
Handina kudawo kutambisa
nguva ndokubudawo
ndichimhanya kana zvataienda
kunoita taisaziva.Akangosvika
ndokutora makeys kune umwe
guard achivaudza kuti vasare
ndokutomutsa mota apa achiita
kumhanyisa mota kunge
munhu anopenga apa ndainge
ndakaita kubatira hana
mumaoko.Pasina nguva tainge
tatosvika panzvimbo paya
ndokuburuka mumota.
*Leon:*tiri kuda kutsvaga
chigubhi changa chichi taurwa
naSalie asi ukachiona dont
touch it
please.Ndakangogutsurira
musoro ndokutanga kutsvaga
asi hapana chatakaona apa
ndainge ndaneta zvino
ndokunogara pasi Leon
achiteverawo.
*Leon:*mhondi iyi yakagwara
shuwa,anenge akabva atora
chigubhu chacho.Do you have
anyone who you are
suspecting.
*Me:*mmm do you still
remember what i told you.i
dont trust this Kelly?
*Leon:*why Kelly ,as for me i
suspect bth of them Kelly and
Dasy.But am stressed cz the
bottle was the only thing which
was going to help us.Even now
if we report to the Station we
dont have proof.
*Me:*shit so what are we going
to do now coz am puzzled
too.but..

Handina kupedza zvandaida


kutaura tanzwa vanhu vaitaura
vari pachikwenzi chaiva pedyo
nesu.Hatina kutambisa nguva
tese naLeon ndokusimuka kana
kuti takaneta yainge itori
imwewo nyaya.Takatanga
kunyawaira tichiendako
ndokusvika ndichiona manenje
chaiwo zvekuti ndakatadza
kuzvidzoka ndokuti
"Aaaah".Leon akabva amhanya
kundibata muromo.Ainge ari
Kelly uyo ainge akasunga Dasy
makumbo nemaoko akamira
neumwe musikana.
*Kelly:*you think you are too
clever.Manje nhasi uchachera
gomba uchasvipa mate kuti
hauchazviita futi zvekurara
vana vevanhu uchisiya.
*Dasy:*sorry kani Kelly but its
not my fault.Vasikana vacho
ndivo vanouya kwandiri
vega.Uyu kana uri sewe uraya
hako asi unofanira kuziva kuti
you are one of the chicks
vanouya kwandiri vega.I have
never loved you ,my heart
belongs to.
Akabva apiwa zimbama
nemusikana uyo ainge aina
Kelly.

Zvakatondinetsa kuti Kelly


munhu aiva form 3 zvese izvi
ainge azvifunga
nguvai.Ndakaona kamusikana
ako kainge kana Kelly kakuti.
*Her:*nhasi uchaudza vamwe
hako.Dakuti nhomba iyo inoda
vakadzi zvakanyanya ipere
nhasi.Vakadaro vachibvisa
hembe dzavo.Ndakaona Leon
akusumuka ndokumubata
ruoko kuti asaende.
*Leon:*please Dani ,i have to
save him.
Apa ndipo pandakaona kuti
baba ava vainge vane moyo
wakanaka kwazvo.Panguva
yakati Leon afambe takaona
Kelly nemusikana uya
vakanhonga hembe dzavo
ndokutanga kumhanya
vachisiya Dasy ari ega.Pasina
nguva ndipo pandakaona ari
maguards aLeon ndipo
patakazobuda ndokuenda uko
kwavainge vari.Magurds aLeon
akabva atanga kuseka
achiwanzira Dasy uyo ainge
achingochema sechana.
*Leon:*i hope you have
learned.
Dasy akangozungudza
musoro,ndakaona Leon
akubvisa bhachi rake ndokupa
Dasy.
*Guard 1:*Leon let me give him
mine.You cant give him yours
,lets us do it.
*Leon:*hazvina basa musiye
apfeke hake.Akadaro
achinosimudza Dasy
ndokuenda naye pavo vega
,ndakaita kuvhura nzeve nekuti
ndaida kunzwa zvaitaurwa
ndakanzwa Leon akuti...

END OF CHAPTER 7
*CHAPTER 8*

Ndakaita kuvhura nzeve


ndichida kunzwa zvaitaurwa
naLeon ndakanzwa akuti *Hope
you have learned ,no one is
perfect in this world my
brother.Its now time for you to
repent and start a new page of
your life.You made a big
mistake at the first place
,people who you choose to
associate with.God had
commanded us to love our
neighbour but he had not
commanded you to make
everyone your friend.Love is a
must but relationship is a
choice.Next time choose
people who are walking with
you, people who are not
walking your direction ,let them
all go.*

Leon haana kupedza zvaaida


kutaura Dasy ava kuchema
nekuvhunduka kwaainge aita
ainge akuratidza kuperererwa
chaiko . Leon akamumbundira
ndokumunyararidza
ndokuzomuudza zvese zvainge
zvaitika kuzosvika Sallie aende
kuhospital. Hatina kuzotora
nguva ndokudzokera kuhospital
nekuti Daisy ainge akuita
kuchema achida kuona
Sallie.Takasvika kuchipatara
ndokugara panze sezvo tainge
takamirira nguva yevisit
ikwane.Ndakanzwa Leon akuti
ndimuperekedze kuShop sezvo
pane zvaaida kutanga apa
maguards ake ainge atosimuka
kare.
*Leon:*imi vapfana imi makuda
kundijairira manje.akadaro
achitoseka zvake ndokuuya
achindibata ruoko tichienda
kushop.
Takati tava kubva kuShop
ndakaona Leon akuenda kuseri
kwangu achibva andibata kuti
ndimire.Ko ini ndaidawo zvinhu
ndokusimudza musoro
ndichitarisa kumberi
ndokusanganidzana maziso
nemusikana uya
wandakamboona ana
Tynash.Ndakaona akufamba
achiuya patainge tiri Leon
ndokuti "Shit" achindibatisa
plastic bag raanga atenga
magoods achiuya paside pangu.
*Her:*aaww My Prince what
are you doing here.
*Leon:*Hello Melly .
Akadaro achindibata ruoko
kuratidza kuti haasi kuda
zvekutaura nemusikana uyu asi
musikana uya akabva amira
pamberi pedu.
*Melly:*My Prince , what are
you doing with this poor village
girl.Apa muri kuda kubva
chikafu chepovho.

Leon akangoramba akanyarara


hake.
*Me:* Iwe mwana iwe
ukakwana haufe nxaaa mwana
mudiki here uyu waungabva
watoita zvekumuvhunza
zvakadaro siyana naye .
Ndakadaro ndichimubata
rwoko tichifamba takusiya
akangomira paya tisisina kure
kwataenda ndokunzwa akuti
*Melly*: Mandishamisa Prince
mungatongwe neka Poor
Village girl aka
Panguva iyi ndainge
ndatsamwa zvekuda
kutorovana naye chaizvo
ndakangosiya Leon
ndokutendeuka ndakufamba
kudzokera kwaaive ndaida
kunyaso muratidza kuti
kunyarara hakusi kupusa .
Ndisina kure kwandainge
ndasvika ndakanzwa ndabatwa
zviri soft ndokuona ari Leon
akunditi siyana naye tiende.

*Leon:*mmm Danai ,you are


something else.Munhu uyu
muhombe kwauri asi wanga
uchida kumisidzana naye ane
20 years akasiya neni ne three
years am 23 and my brother is
20 years too.
*Me:*aaah ane dzungu uyu
ndivo vanhu vandinoda
kugarisa mudish manje ivava.
Haana zvakazokwanisa kutaura
ndokutanga kuseka zvake
akanditarisa mumaziso chaimo
ndaibva ndatarisa pasi nekuti
ndine zvandaizonzwa
ndikamutarisa ska ndaisada kuti
azvione . Takasvika kuhospital
time dzevisitting
dzichangokwana ndokuwana
Dasy atove mukati kare achiita
kuchema akambundira Sallie
*Dasy*: Nhai wanga wada
kundisiya ndega inga
takawirirana kuti ndichave
newe mukufara
nemukutambudzika nzira
yawanga wada kufamba nayo
iyi inondirwadza.
Haana kuzopedzesa kutaura
zvaida kutaura asi airatidza
kuremerwa chaiko muhana
make

*Leon*: Chinyararai kuchema


mese i know kuti madzidza
lesson especially iwewe Dasy
ndakuda muregererane pane
zvese zvakaitika motendeuka
moziva Mwari nguva ichiripo
kudai. Tichanamata nemi
makabatana maoko nekuti
musiki ndiye ega anoziva zvose.
Takanamata ndokupedza Dasy
akabva avimbisa kuti haaizo
rwadzisa Sallie futi mukati
mehupenyu hwake ndeye
aizova musikana wake mumwe
chete vamwe vese ainge
avasiya zvachose uye ainge
azvipira kuenda nesu kuchurch
every sunday.Ndakatarisa Mai
Sallie ndokuona vasimo
ndikaziva kuti vainge vachida
kupa vana mukana.

Takati pakuenda kumba


ndakanzwa Leon akubvunza
Mai Sallie.
*Leon:*nhai mama tsamba
yakanyorwa naSallie iripi
yamati makaona.Ko iyo
handwritting yacho yakafanana
neyake here.
*Mai Sallie:*ini mwanangu
ndinganyepe zvese izvo
handina kumbozvitarisa
ndikasvika kumba ndotarisa
pamusoro pedara pandasiya
ndakatsimbirira nehuni.Leon
akangoti "horaiti",asi airatidza
kuti pane zvaari kufunga nekuti
ndainge ndisati ndambomuona
akarova maserious
zvekudaro.Takati tichisvika
kwaMai Sallie ndokumhanya
kunotsvaga tsamba iya asi
takaona yava dongo pasina
kana chinhu.Izvo zvakashamisa
munhu wese.
*Leon:*saka munhu akaita izvi
akagwara handitika.Hatisisina
kana proof.Takungozviisa
mumaoko aiIshe vaite kuda
kwazvo.Takazooneka ndokusiya
Leon achienda kumba kwavo ini
ndichiendawo kwedu asi
ndainge ndava kusada kubva
pedyo naLeon nekuti ndainzwa
zvangu zvakaringana
ndinaye.Ndakati ndichisvika
kumba ndokupira vabereki
vangu nyaya yese apo ndipo
pakawana dady nguva
yekubvunza zvavaida.
*Dady:*ko vana Prince avo
wakavaziva kuti nhai
Alicia.Ndakangovaudza zvaviri
izvo zvakaita dady vasabvunze
zvinoenda kure ndokunyarara
havo.
*AFTER WEEK*

Sallie ainge abuda muchipatara


uye tainge tava kunyora
maexams edu zuva raitevera
racho uye Leon ndainge ndava
neweek rese ndisina
kumbomuona uye ndainge
ndamusuwa zvekuti ndainzwa
kuti something was missing.Day
rekutanga maexams rakasvika
apa taitanga kunyora
English.Takabva kumba
tanamata ndokunyora
zvakanaka asi sezvo English
ichivhiringidza handina
kukwanisa kubuda ndichifara
zvakanyanya nekuti unogona
kuti wagona iwe wanyora
dondo.Taitofamba zvedu
naSallie tichitaura nyaya
ndakanzwa akuti
*Sallie:*mmm Tynash is
something else...He is a
player ,He change girls like his
changing underwears.
*Me:*kkk lol wakamuona kupi
nhai Salie
*Salie:*aah iwe ndakazviona
from the first day me met.Did
you see his eyes ,oosh.
Pandakati ndidavire ndakabva
ndaona Dasy akamira naKelly
apa ndipo pandakaona kuti shiri
nemuririro wayo hairege
shuwa.Sallie akangokwanisa
kuvhura muromo ,misodzi
ichiyerera.Apa ndipo
pandakaona kuti Sallie ainge
atova nechijairira chekuchema
shuwa.
*Dasy:*bae its not what you
think
*Sallie:*ooh wooow l didnt
know you can read minds so
tell me what am exactly
thinking right now?
Akabva aramba akanyarara
Sallie apa ainge ava kuita
kupupa nehasha
*Sallie:*should i repeat my
question?Dasy ainge achipusa
zvino Sallie haana kutambisa
nguva ndokuenda achinopa
Dasy mbana ndokuti *its over
between us,urimbwa chaiyo
mama iwewe nxaa*

Haana kuda kumira ndokutanga


kufamba achienda ini
ndichitevera
kumashure.Ndakati tava kuda
kusvika kumba takashamisika
kuona pamberi pedu pamira
mota.Ndakamboita nguva
ndakamira asi pandakaona ari
Leon ndakatadza kuzvidzora
ndokumhanya
ndichinomumbundira.Zvekuti
vanhu vese vakatitarisa
nezvandakaita panguva
iyi.Ndakatanga kunyara apo
ndakaona vanhu vese
vakanditarisa.
*Leon:*ukunyareiko nhai
Dani ,,ndazviona kuti wanga
wandisuwa shuwa.Ndanga
ndisipo ndosaka waisandiona
pumpkin.

Panguva yandakati ndidavire


ndakavhunduka kunzwa izwi
raDady richiti *Danai!!!
*.Handina kuda kuramba
ndiripo ndakangonhonga
mabooks angu ndokumhanya
kumba.

Sallie ari kurevesa here kuti


haachada Dee kana kuti ihasha
chete?
*CHAPTER 9*
Ndakati ndichisvika kumba
ndichinoenda kuseri kwainge
kunamama ndichiita
kufemereka pamusoro izvo
zvakaita mama vapuse uye
kushaya pekubata. Pasina
nguva Daddy vakabva vapinda
vachindivhunza kuti sei ndainge
ndaita zvekumhanya kunge
ndandirikuita
mhosva.Ndakaramba
ndakanyarara izvo zvakaita
dady vanzwe hasha ndokuuya
kuseri kwamama kwandainge
ndiri vachindipa mbama
ndichinovira muvhu vachitanga
kundirova.

Mama vakamboda kubata


kusvika vasiya nekuti vainge
vasairirwa vachinorovera
kumadziro.
*Dady:*i dont want to see that
guy near you.Just because you
met someone at the church
doesnt mean they are Mr
Right.remember that demons
go to church too.
Ndakangogutsurira musoro
zvekungoda kufadza Daddy
vangu asi pachokwadi chaipo
moyo wangu waitorwadza
kugara hupenyu hwangu
ndakusawona Leon
nekundifadza kwaaindita kwese
painge pasisina . Vakafamba
vakupinda vachipinda mumba
mhamha ndokuya
vachindisimudza muvhu
mandainge ndawira vakuenda
neni mumba.

Ndakangosvika nekubatirwa
nehope mhamha pavakandisiya
vonobika . Ndakazovhunduka
ndakudaidzwa namhamha kuti
ndiuye kuzodya asi
ndakavaudza kuti ndainge
ndisirikuda kudya.
*Mhamha*:Nhai mwanangu
wabva watoramwa nekudya
chaiko here. Siyana navo baba
vako ava vanofunga kuti
kuteredza mwana kwaari kwese
zvomutadzisa kuita musikanzwa
here kana achida hake.
*Me*: Hazvisirizvo zvikuita
ndisadye ndakuda
kumbozorora ndizomuka
ndoverenga mangwana
tirikunonyora _Accounts
neShona_
*Mhamha*: Dai wangodya
zvishoma uwane simba ndoziva
unenzara
Ndakaona mai vangu vakutaura
vachiratidza kurwadziwa
ndokungozvishingisa kuenda
kunodya kuti ndifadze mhamha
vangu. Ndichipedza kudya
.ndakaenda kunorara handina
kna kuverenga .

The following day ndakamuka


ndokugadzirira zvekuenda
kunonyora exam asi ndainge
ndakangoneta zvangu
nezvandaiitirwa naDaddy vangu
zvinobhowa . Ndakasvika
kuchikoro ndokuwana Sallie
atoveko paakandiona
akamhanya kuuya
kuzondimbundira ndokuona
kuti ndainge ndisina mufaro
*Sallie*: What's going on my
sister kunyarara kudai
*Me*: Long story bae hande
muclass ndokudza imomo.
Ndakamuudza zvese zvainge
zvaitika hapana chandakasiya
chero nekurohwa
kwandakaitwa. Akaratidza
kubatikana nazvo zvekuti
ndainge ndarohwerwa mhosva
yandisina kuita. Akandisimbisa
kuti kana ari wangu hataizofa
takaparadzana nekuti Leon
ainge ari munhu aitya Mwari
uye asingade zvisina basa saka
hazvaizomboita kuti
azondirasisa . Nguva
dzekunyora exam dzakabva
dzakwana tiri pakati pekutaura
nyaya yedu asi mumoyo mangu
ndainge ndatsidza kuti Leon
akazondiudza kuti anondida
ndaizomubvuma kuitira kana
ndozorohwa ndaizorohwerwa
zviripo. Takazonyora hedu
ndokubuda ndichisekerera
nekuti zvandaiziva ndozvakauya
saka ndaitongoziva kuti
ndapasa hapana chitsotsi.
Tapedza kunyora ndakatorana
naSallie wangu kuenda kumba
sezvo vana Dasy vainge vasati
vakuenda kumba nguva
dzatakaenda. Takataura nyaya
zvedu ndipo pandakaona kuti
Sallie ainge achinja pachokwadi
ainge akutotaura
zvinovaraidzawo pane zvaainge
akuita mazuva ainge
apengeswa naDesy.Ndakatanga
hangu kumuwanzira kuti
aizodzokerana naDasy asi
akatsika madziro.Madays
emaexams akafamba kusvika
zuva rekupedzisira ,ndainzwa
kurwadziwa nekuti zvekugara
kumba ndainge ndisingade
nababa vangu waitoswera uri
kumunda.Ndakati ndichisvika
kumba ndokuona mama
vachiratidza kufara.
*Mama:*baba vako vabvuma
kuti uende kunoona tete waki
wozodzoka paholiday.Asi
iwewe ukaendako,ndiri kuda
ubve wanodzidza ikoko Alevel
yako mwanangu.Nekuti
unosvikepi neruchengerwo
rwababa vako.Ehe vanoda
zvakanaka kwauri asi nezera
rako ndikanzwa kuti hauna
anokupfimba totofamba
kunapositori.Mudunhu rese
vanhu notokutya nepamusana
pababa vako ava.Izvi hazvireve
kuti ndakupa bvumo kunoita
zvisina basa asi kuti ugare usina
kusungirwa.Ini vabereki vangu
vaindisungirira kusvika
ndaroorws ndisati ndapedza
chikoro saka ndinoziva kuti
mwana akasungirirwa
paanobuda hamumukwanise.
Ndakangosekerera nemashoko
aamai vangu. Tete vangu
vaigara kwaMurambwa
,ndaisanyatsokuziva sezvo
ndainge ndakagumisira kuenda
ndiri grade 1 chaiyo.Zuva iri
ndakarara ndine mufaro
wakazara ndainge ndakutoona
kunze kwakundinonokera
kuedza nekuti ndainge
ndakusada zvepamba pedu .
Kuchiedza ndakamuka ndokuita
basa rangu repamba rese .
Ndakakumbira mhamha vangu
kuti ndaiende kunooneka Sallie
shamwari yangu sezvo
ndaifanira kuenda zuva iri.
Moyo wangu wainge
wakurwadza kuti ndainge
ndakunogara kure naSallie
wandainge ndajaira kugara
naye kubva tichiri zvana zvidiki.
Ndakawana Sallie aripo zvake
akagara pazuva sezvo kwaive
nekachando. Takataura zvedu
dzimwe nyaya kusvika
ndazomudza zvekuenda
kwangu. Akaita kupererwa
chaiko nekuti ainge asina imwe
shamwari kunze kwangu saka
zvaizomuremera kugara ega.
*Sallie*: Chete hazvo hapana
zvekuzviita asi zvorwadza izvi .
Ndichaudza ani anozokwanisa
kundibatsirawo pamaproblems
angu
*Me*: Sallie ndomira newe
nyangwe ndirikure koko chando
kuvimbisa zvese zvaunoda uye
muyedzo yaunozosangana nayo
ziva kuti unofanira kuzvipa kuna
Mwari wako anomira newe
hakusiye.
Takazoonekana zvedu ini
ndokumhanya kumba kuti
ndizokasika ndabuda.
Ndichisvika ndakawana
mhamha vangu vatobika
ndokunditi ndichitoenda
kunogeza. Ndakati ndichipedza
zvese Sllie ainge atosvikawo
achiti auya
kuzondiperekedzawo.
Ndakaenda kunooneka Daddy
vangu
*Daddy*: Danai mwanangu
ndinokumbira unogarawo
zvakanaka ikoko . Kukurova
kwandokuita kukuda
mwanangu handidi kuti uzove
chiseko chenyika
*Me*: I promise you Daddy kuti
handimbofe ndakaita
zvinokurwadzai ndichanogara
natete zvakanaka.
Ndakambundirana naDaddy
vangu ndokubuda
ndakuprekedzwa nevanhu
vese.

Ndakasvika ndokukwira combi


sezvo ndaisaziva mafambiro
acho.Tete vainzi vanenge
vakandimirira kumberi. Comb
yacho yaiita kumhanya zvekuti
pasina nguva ndainge
ndatosvika ndokuwana
ndakatomirirwa natete.
Takambundirana
ndokuvhunzana mufaro
takuenda kumba zvedu .
*Tete*: Enge wakura Danai
ndandatokushaya pawadzika
Ndakangosekerera hangu
nekuti ndainge ndakugara
natete vangu vaindida kubva
hudiki hwangu.
Takati tichifamba ndokuona
chidhakwa chaito dzadzarika
zvacho
*Chidhakwa*: Ndipeiwo
mwana wenyu uyu nditobva
ndamuroora nhasi nekuti type
yake iyi kashoma kuiwana
mazuvano
*Tete*: imi baba imi kwanai imi
moda mwana wangu sei imi
mune mukadzi kumba nxaaa
Even dai mamusina mukadzi
hamaimuwana futii nekuti
ndewe class yepadenga chaiyo.
Tete vakazodaidzira izvi tatove
nechepamberi .. Chidhakwa
chiya chakazvuva makumbo
choenda nyadzi dzainge
dzavekuita kuti aite sembwa
yakwira mubus. Ndakazoudzwa
kuti ndisazvitedzere
zvezvidhakwa zveraini.
Ndakasvika kumba ndokusvika
tichingodya tuma nice
ndopaunoona kuti pane vanhu
vakarongeka shuwa vainge
vasiya vatogadzira table
vachiuya kuzonditora.
Takaswera uchingori mufaro
wega wega nguva dzekubika
zvemanheru ndokubika
tichibatsirana natete ndipo
pakazosvika bamukuru .
Ndakavamhoresa vakafara
chose asi vainge vandishaya futi
panguva yavakasvika.
Takapedza kubika ndokudya
zvedu semhuri pasina akasuwa
uye tete vangu vainge vasina
kumbobvira vaita mwana. Tiri
pakati pekudya takanzwa
bamkuru vakutii
*Bamkuru*: Mai mwana taita
lucky manzi....

*End of chapter 10*


*CHAPTER 10*

Tiri pakati pekudya takanzwa


bamukuru vakuti
*Bamkuru*: Mai mwana taita
lucky hanzi tiuye kuzogara ku
*Palace* uye imi munenge
makushandaikoko futi
*Tete*: Inga Mwari vakanaka
chokwadi
ndandichitoshushikana
nekugara pamba ndajaira
kuendawo kubasa ini
*Bamkuru* :Saka ndichaenda
kubasa then zvinhu touya
totakura manheru nemota .
Panguva yakataura Bamukuru
ndipo pandakazorangarira kuti
bamkuru vangu vaishanda
kuPalace.

Nguva iyi ndakambokanganwa


kuti ndaidya ndakutofunga
nezvaLeon wandange ndane
nguva ndisati ndamuona.
Ndakazoita kuvhunduka
ndakunzi natete kana wane
hope chienda unorara kuroom
kwako. Ndakaita kufara chaiko
nekuti panguva iyi ndaitoda
kunge ndiri pangu ndega
ndichinyatsofunga Leon wangu.
Ndakangosvika
nekuzvikandachaiko nekutobva
ndatovata dzedanda ndisina
kana kunamata.Ndakazotoita
zvekumutswa natete kunze
kwaedza,ivo vainge vava kuda
kuenda kuPalace.
*Tete:*haaa Danai nekunaka
kwako uyu nevakomana vari
kupalace unotodiwa chete.
*Me:*aah tete handivade ini
fanika Tynash uyu ari rough.

Ndakaona tete vakuratidza


kushamisika ndokundibvunza
kuti ndainge ndichivazivira kupi
ndokuvaudza zvose.
*Tete:*Tynash is a spoiled
butvLeon is a good guy.Saka
iwe unotopenga chete iwe
,pekutanga
wakambotenderedzwa brain
naTynash.Tynash akagwarisa
uyo anoziva kuti ane masexy
eyes.Ndakangoseka ndokubuda
ndichinotanga kugadzirira
bamukuru zvekuti vaende
kubasa pamwe chete natete
vaizodzoka vachinditora
manheru.

Vakati vachipedza ndokubuda


ini ndichibudawo kuenda
kutsime sezvo vainge
vandiratidza paiva netsime
yacho.Ndakati ndava kubva
kutsime handina kuona kuti
kumberi kwangu kwaibva mota
pandakaiona ndakaita
zvekuvhunduka bucket richivira
pasi ini wacho
ndichidonhawo.Ndakaita
kuvhunduka ndaita kurowa
mbama ndichisimudza musoro
kudai ndokuona ari Tynash apa
kaMelly achitevera kari
kumashure.
*Tynash:*ooh welcome to my
hood..
*Me:*une moyo here iwe..saka
ndiyo welcome yacho here
iyoyi.You are evil
nxaa.yawatanga uipedze.
*Tynash:*umbori chiiko iwe
unotaua ndichitaura
huh..Guards!! Guards!!!.
Pasina nguva maguards ainhe
asvika ari maviri ndokutanga
kundirova nezvishamu zvavo
kuti ndakunzwa mweya
wekufema uchipera
mandiri.Ndaiita kunzwa Melly
achiita kusekerera.

Ndakazvonzwa Tynash akuti


STOP !! ndiko kundisiya
kwavakaita apa ndainge
ndakuita kubuda ropa kana
simba rekusimuka ndakarishaya
ndokuramba ndakarara
ipapo.Vakati vachibva
ndokutanga kuita masounds
airatidza kuti kuri kuda kuuya
mazimvura.Pasina nguva
kwakatanga kunaya mazimvura
kwete mvura apa ndainge
ndakangorara pasi
ipapo.Panguva iyi ndakademba
kufa hangu nekuti marwadzo
acho ainge
anyanya.Ndakatanga kunzwa
kutinhia kwemota asi
ndaizvinzira kure kure apa
ndainge ndava kugwagwadza
nechando.Ndakanzwa izwi
raLeon richindipeedza kana
simba rekudaira ndakarishaya.

Ndakanzwa izwi raitaurira kure


richiratidza kuti riri mumota
richiti *Leon uri Prince iwewe
,hona mvura iri kukunaya
nepamusana pekuda kubatsira
munhu
wausingazive.*Ndakanzwa
ndatakura haana kana
kumbozeza tsvina yandaiva
nayo.
*Leon:*who did this to you
Danai.akadaro neizwi rairatidza
kuti ava kuda
kuchema.Akasvika ndokundiisa
mumota achindipa chijira uye
kundimbundira ndakatanga
kunzwa kudziirwa kusvika hope
dzabata
ndokurara.Ndakapepuka
ndokuona ndakarara
pamakumboo aLeon ,tete
nabamukuru vakagara
vakatsikitsira .

Pavakandiona ndamuka vese


vakaita kuvhunduka tete
ndokuuya vachindimbundira
vachichema
*Tete*: Nhai mwana
wehanzvadzi yangu chii
chamboitika kuti usvike
pakurohwa zvekukuvara kudai
pamusoro pazvo wonaiwa futi .
Totenda Mwari kuti wamuka
zvako ndainoudza baba vako
ndichiti chii.
Ndakatsanangura zvose zvainge
zvaitika kuti ndizosvike
pakurohwa.Ndakaona Leon
akuita kusimuka nehasha
achiita kurovera door
achideedza Tynash ndipo
pandakazoziva kuti ndaiva
paPalace.
*Tete:*Ko Tynash anodarireiko
nhai ,zvino Leon achasvika
akaita sei mwana.Thank God
Queen naKing havapo.Pasina
nguva takaona Leon achidzoka
achiita kufemereka
ndokukumbira vana tete kutu
vabude.Ndakatoona hangu kuti
apa vana tete vateerera nekuti
zvataurwa naPrince.
*Leon:*am sorry Danai ,my
brother is something else.
Ndakaramba ndakanyarara
misodzi ichiyerera Leon
akatanga kundipukuta misodzi
ndokundimbundira.Ndakaita
kunzwa ropa rangu kumhanya
mhanya. Akange akaita
kundibata zvekuti panguva iyi
ndaitonzwa ndiri kudenga rechi
*seven* chaiko.
Ndakaramba ndakaterera
kudzirwaa kwandaiita
ndokuona akuunza muromo
wake kune wangu kana simba
rekumusairira ndakarishaya apa
iye ainge akufemera padenga .
Ndakati achingosvitsa muromo
wake pane wangu ndichibva
ndangomuruma muromo wake
wepasi akajamba achinomira
kure neni ndokubata muromo
wake achiratidza kurwadziwa
apa wainge wakubuda ropa.
Hana yangu yakatanga kurova
zvekuti ndakafunga kuda kuti
ndibude nditize asi ndakashaya
kuti ndobuda nepai .
Pachokwadi chaipo ndainge
ndisingazive kuti munhu
anikiswa sei saka ndaitofunga
kuti kurumana sezvo
ndaimboona zvichiitwa naSallie
naDasy.
*Me*: Sorry hako Leon
nekukuvadza kwandaita
chihuya ndikupukute nehembe
yangu usazowanikwe wakadai
nanatete
*Leon* : No problem . Sorry
zvako ndini ndangotadzawo
kuzvidzora.
*Me*: Oky
*Leon* Wakamboita
mukomana here kubva
kuzvarwa kwako.
Handina kukwanisa kudaira
nemuromo nekuda kwekunyara
kwandaiita ndakangokwanisa
kudzungudza musoro .
Ndokundiseka akuya kwandiri
achindimbundira ndokuti saka
ndini ndakuda kukuitisa
zvausati wamboita ka. Haana
kuzoenderera mberi nenyaya
nekuti nguva dzainge dzafamba
akangondibata maoko ndokuti
tinamate vanatete vasati
vadzoka. *I command every
pain to go ,Danai be covered by
the blood of the lamp this
evening.No weapon fashioned
against you shall prosper.You
are a son of God nothing will
harm you.I speak divine
protection in the name of Jesus
Christ.Amen*
Leon akazooneka ndokusara
tete vachipinda vachiratidza
kuti vachiri kushamisika.
*Tete:*ndanga ndichiona here
ini.Kutadza kundiudzawo ini
tete vako.Unoti ndinokuroya
here nhai Danai vakadaro
vachiseka zvavo.Vakazooneka
ndokuenda kunoita basa ravo
ndokusara ndichirara hope
dzeumambo hangu ko
ndainzwa mufaro
mandirika.Ndakazotoita
zvekumutswa natete vachiti
vava kuenda kunotakura zvinhu
vaizodzoka.Vakati vachibuda
Leon achisvikawo akabata
plastic bag.Ndakaita kunzwa
mufaro uchiwedzera mandiri
Leon ndainge ndakunzwa
kumuda ini.
Leon akasvika ndokubuditsa
zvinhu zvaainge auya naye
ndokutanga kundidyisa
machips aainge auya nawo.
*Leon:*handiti zvese hauzive
here ndiri kuda kuita munhu
anokudzidzisa zvese.Leon
akabva atora foni yake
ndokutanga kuridza song
yaChris brown naJustin bieber
_somebody to you_.
*Leon:*am in love.
Ndainge ndava kunyara zvino
zvekuti kana kumutarisa
ndainge ndava
kunyara.Ndakazototenda
Mwari apo pakasvika Guard
achiti Leon aidiwa
naQueen.Leon akaratidza
kufara paakanzwa kuti aidiwa
naamai vake apa ini ndainge
ndava kutya .
*Leon:*Danai i want you to
come and see my precious
mom.

Ndakamboda kuramba kusvika


aita zvekundisimudza
achitobuda neni
akandisumudza kana
kumbonyara mamaids
nemaguards ataisangana
navo.Takasvika kuloan kwainge
kwakagara Queen
akangonditakura chete apa
ndainge ndava kuda kuchema
nenyadzi.Queen vakati
vachinditi baaa ndokuti......
END OF CHAPTER 10

*CHAPTER 11*

_Note:sorry the previous


chapter was chapter 10 not 11_
Queen vakati vachindiona
ndokuti *wooow all my God
,you are so cute.Look at her
smile.Leon where did you get
such a beauteous
girl.*vakadaro ndokuuya
vachindimbundira izvo kaita
ndinyare apa Leon wacho ainge
akutoseka zvake.
*Leon:*Danai please meet my
lovely mom Queen Tasha.
*Me:*nice to meet you
mom.apa ndaiita kunyara kana
kusimudza musoro
ndakatadza.Ndakazototenda
tete avo vakasvika
ndokukumbira Queen Tasha
kuti ndiende
ndinovabatsira.Apa ndipo
pandakaona kuti Queen Tasha
vainge vari moyo ane moyo
wakanaka.
Ndakati ndichisvika kwainge
kuna Tete ndisati nambodii
ndainge ndava kuita kunaiwa
nayo mibvunzo zvekuti
ndakatoshaya kuti ndodaira
kutii ndawandirwa nayo.
*Tete:*are you in love with
Prince Leon?did the Queen like
you?are you happy to be here?
ndakatotanga hangu kuseka
ndichienda uko kwainge kuna
bamukuru vaida kubatsirwa
kutaura zvinhu.Takati tiri pakati
pekurongedza takaona pasvika
mamaids matatu ndokuti
vainge vatumwa naQueen
Tasha kunotibatsira.Ndakaona
tete vachiita kusekerera
ndikatoona kuti apa paiva
nebasa chairo zviro zvaidiwawo
apo.
Ndakabva ndabuda panze
ndokugara hangu kuseri
kwemba sezvo ndaida
kumbozorora hangu.Ndakati
ndakagara kudaro ndakaona
Melly akusvika izvo
zvakandinetsa kuti ainge
ambobva kupi uye aziva sei kuti
ndiri kuno.
*Melly:*hey i have come to
warned you my dear.Dont want
to see you near my man.
*Me:*kkkkiest uri kuudza inini
here kana kuti iye murume
wako asauye padhuze neni
nekuti eish inini munhu wese
anotondiona anotoda
zvekudanana
neni.Wambonyatsonditarisa
here am poor hangu asi hunaku
wese wakabuda kwete iwewe
wakanaka nemake up chete.

*Melly:*unondiudza chiiko
iwe.Ukaona munhu anenge
adiwa naPrince Tynash akanaka
wangu.Wakatorasika iwe
,Tynash wacho hatogone neni
iwe.Ndingokuona
uchingopesuka pesuka pamberi
pako uone.
*Me:*handinongerere ini uye
handidi vanhu vakanaka ini
ndogara ndine bp ndoda hangu
chibage changu ndega
chinondipa true love kwete
vana Mr Charmer notoziva kuti
takawanda ipapo.Kutovhaira
kani nxaa amai mune nhamo
imi Tynash ndiro hure
rechirume kana mazogara
anoita kuchinja vasikana kunge
ari kuchinja maunderwears
nxaa ndokunzwirai tsitsi.

Ndisati ndapedza zvandaida


kutaura ndakanzwa
ndichibatwa muchuno umu
zvinondainge ndisisina kana
simba rekutaura ndakunakirwa
nemaoko ainge ondibata.
Pandakada kuti nditarise
ndokuona ari Leon ndakanyara
veduwe akazondidhonza oenda
neni ndokusiys sisi vedzungu
vakangovhura maziso avo
nekuti vainge vashamisika
nechiitiko ichi.

*Leon:*Danai you know what


;you have been the first and be
the only one ever to touch my
heart.Ever simce the day l met
you ,my heart stopped beating
for me.It beats for you saying l
love you with ever beat.
Ndakaita kupererwa uye
ndasarwa nenyadzi hongu i
have feeling for him but
ndakapererwa uye kuzvitarisa
kudai ndakaona
tisingapindirane.
*Leon:*please say something
Danai.i cannot survive without
your love,i feel suffocated
when you are not around
me.You complete my life and
make it so worth living.Girl.you
are nothing but an angel to me.
*Me:*kana washaya nyaya
enda hako Leon..unoda
kundiisa pai ini village girl.
Ndakadaro ndokutanga
kufamba asi hakuna kure
kwandakaenda ndainge
ndadhonzwa ndokutanga
kudyiwa muromo.Panguva iyi
handina kuda kuita dzungu asi
kudzikama hangu kuona kuti
zviri kumboenda nekupi uye ari
kuzvifambisawo sei.Handina
kuda kumubvisa nekuti
ndaidawo kumbonzwa uye
simba chairo ndainge
ndisisina.Ndainge ndava kutya
kuruma mwana wevanhu
,ndakanzwa yowe
zvazvinotonaka nhai.Saka
ndainge ndakasarira
pachokwadi ndainge ndava
kutoimba manhanga
kutapira.Ndainge ndava
kudzorerawo ndava
muchuni.Ndakaona kuti Sallie
yainge isiri mhosva yake shuwa
ainge anzwa kunaka kwehuchi
shuwa ,ndini ndainge
ndakatosarira.Ndakaita
zvekuvhunduka kunzwa
kufamba kwemunhu
ndokudonzwa naLeon
tichinovanda kuseri kwemuti
apa hana yangy yainge yava
kuita kurova chaiko.Ko ndainge
ndisati ndaziva zvakawanda
pamusoro pezve paPalace
apa.Hana yangu
takazonyevenuka apo
ndakaona ari maid aitoda hake
kurasa marara.

Pandakati nditendeuke
nditaure naLeon ndakaona
munhu akaita kundimbundira
ko ndainge ndambozvinzwa
here kuti ndakabatwa ndava
kutya munhu aiuya.
*Leon:*please Danai l know
you love me please say
something ,akadaro achiratidza
kuti ari kuda kuchema.
*Me:*iiii ndakaita kutadza
kutaura zvandaida kutaura
ndichinzwa ropa rangu
kumhanya mhanya
nemabatirwo andainge
ndakaitwa.ndakangorovera
moyo padombo ndokuti "give
me time to think about it" ko
zvaisaita kuti ndibve
ndangodaira ipapo ipapo .
*Leon:*okay but l will be the
luckiest guy in this whole world
to have a beautiful ,sexy and
honest girlfriend like you.
Ndakatoona kuti ndikaramba
ndiri apa ndaizoita zvimwe
ndokuita zvekutiza chaiko
ndokusvika tete vakagara
nabamukuru vachidya.
Ndakati ndichingopinda mumba
munhu wese akabva asiya
zvaaiita
achinditarisa.Ndakanzwa tete
vakuita kuoma nekuseka ap
ndainge ndane nyadzi
ndokukweva makumbo
ndichinogara pasi.
*Tete:*hezvo kubva wapinda
uchiita kunge munhu ari
kudzingirirwa hanziiko nhai.
Ndakangoramba ndakanyarara
ko apa ndaidaira kutii hangu.
*Tete:*wakutonzwa kuvaiva
nenguva diki iyoyi manje
unomitiswa mainana hazvisi
zvekuitira dzungu izvi.
*Bamukuru:*zvaunenge uri
kunhuwirira perfume yaPrince
Leon?kasi unodanana navo kani
?neziso raanga achikupa nguva
iya chete ayas rega ndinyarare
hangu.

Ndakabva ndaoneka ndichienda


kunorara ko ndainge ndava
nenyadzizve.Ndakamboedza
kuti ndirare asi zvakaramba
ndichifunga tsvodi yandainge
ndapiwa naLeon.Hhaaaa
mwana anodzi Leon ainge aita
kunditenderedza brain ndainge
ndamuda pachokwadi
kunyangwe ndainge ndisina
kumuudza kuti ndaimudawo asi
mumoyo umu ainge arimo.I
was crazy over him ,i need him
more than my
thoughts.Ndakazoita
zvekuvhunduka tete vakuti
vainge vakuenda kumansion
uko kwavainge vadeedzwa
naKing.Ndakamuka ndokuenda
kunovabuditsa padoor rezvo
ndaida kusara ndichikiyawo
door.Pandakati ndikiye door
ndakanzwa ruzha ndokuenda
ikoko ndichisviko sangana
naTynash achinetsana naMelly.
*Melly:*sometimes i wish i had
never met you.You always
break my heart Tynash with
your deeds.You dont even care
about other people ,you are
heartless.
*Tynash:*hey let me be this is
my life not yours.Am every girl
dream guy so ndina nguva
kuswero kunyengerera
vasikana vanouya vega am
*PRINCE TYNASH* i dont fall for
girls but thy fall for me.I change
girls like am changing my under
garments.
*Melly:*you are heartless,i give
you my virginity but you are
treating me like am useless.

Ndakaona Tynash akufamba


achienda achisiya sis Melly
vakarara muvhi vachichema
ndokuenda paainge ari.
*Me:*awww ko zvamanga
muchiti munodiwa mainana
ndorudo rwacho here
urwu.Motoenda kumapostori
monopiwa zvekuti dady Tynash
vakudei nekuti mava marara
kwavari .mmm please bare in
mind vamwe vanhu mushonga
haushande kwavari.Ndakadaro
ndokutanga kufamba
ndichimusiya achizvirovera
pasi.Pandakati ndivhare door
ndakavhunduka kunzwa
ndabatwa muchiuno
kunocheuka kudai ndokuona ari
Tynash.

End of chapter 11
*CHAPTER 12*

Ndakanzwa kuti pano


ndabatwa muchiuno
kunocheuka kudai ndokuona ari
Tynash,handina kumupa nguva
yekutaura ndichimupa mbama
achinovira pasofa apa
avakubuda ropa
mumhino.Handina kana
kumbomunzwira tsitsi
ndokuenda paainge akagara
ndichimusumudza zvekuti
ndiPrince izvo zvainge zviri
zvemumba mavo kwete
pamuviri wangu.
*Me:*hausi Prince pamuviri
wangu,ndiitire mushe
hako.Ndakadaro
ndichimubuditsa panze
ndokukiya ndichinorara
,panguva iyi dzakangobata
ndichitorara pamubhedha kana
kuuya kwana tete handina
kumbokuona nekuti vainge
vane amwe makeys.

Ndakati ndichimuka ndokuona


Tete vatobuda vese
nabamukuru ndokutanga
kubika porridge sezvo wainge
utori mutemo kuti ndaitanga
ndanzwa chimunya kana
porridge .Rega Melly akati ndiri
village girl shuwa .Ndakati ndiri
pakati pekudya porridge rangu
ndakanzwa knock ndokuona ari
maid ndokunditambidza
envelope ndokuenda
hake.Ndakamhanya kuvhura
ndokuona mune tsamba.
_to my wifey_

Do not forget to pray Today


because God didnt forget to
wake you up this morning.
_Good morning_
I love you so much my
Princess.lets meet today
kurwizi around 10.

_from your luv_

Ndakangosekerera ndega ko i
was in love with a church guy
,ndakatanga kuimba yangu
_Makanaka Jesu_ ndainzwa
kufara nekuti chishuwo changu
was to be in love with a church
boy kwete vakomana
vanongoenda kuchechi kuti
zvivabve uye vamwe vacho
vasingatongone kunamata
vanongoziva _God bless our
food.amen._Ndakabva
ndatosiya porridge ndokuenda
kunonamata ndokutanga kuita
basa rangu sezvo nguva
dzaisatana kukwana.Ndakati
ndichingopedza kugeza tete
vachipindawo.
*Tete:*hezvo ko machenera
kupiko.vakadaro vachiuya
ndokutanga kundigadzira
gadzira.
Ndakatoona kuti tete vangu
vainge vatone mabasa chete.
*Tete:*ndokutemba Danai
haumbofa wakandinyadzisa
handitika.Ndokuda
zvakanyanya.vakadaro
vachindikisa pahuma
ndokubuda asi vakati vari
padoor ndokuti *King nhasi vari
kuda kukuona saka
ukurumbidzs kudzoka*hana
yangu yakaita kurova uye
mudumbu zvekuti
ndakambomhanya
kuloo.Ndaiva munhu anotaura
asi nyadzi dzaindikurira
zvakanyanya ,ndaizonotarisana
sei naKing? Ivo King vacho
vaimbova munhu akaita sei?
vaisava nehutsinye here kana
face inotyisa?
Ndakangozvishingisa
ndokubuda ,ndakati ndichibuda
ndokuona Tynash akagara
pazuva iye paakandiona
ndokutora mvura iyo yainge ine
ndove ndokundidira izvo
zvakaita ndinzwe hasha nekuti
nguva dzainge dzakwana apa
munhu kundiusa tsvina.
*Tynash:* ndiwe wakatanga
game iyi saka
ndatiitambe..Hope you are
going to enjoy it.akadaro
achifamba kupinda mumansion
mavo.Ndakaita kunzwa hasha
ndokugara pasi
ndichichema.Ndakazoita
zvekuvhunduka ndokumhanya
kunogeza nekuchinja futi
hembe ndokuenda kurwizi kuya
ndichimhanya.
Ndakati ndiri pakati
pekumhanya hameno
ndakatadza kutsika sei
ndokusvika ndichidonha
pamusoro pendove ,kana
siimba rekusimuka
ndakarishaya.Ndakazoita
zvekuvhunduka kunzwa munhu
aiseka kusimudza musoro kudai
ndokuona ari Tynash asiri
kumbogona kumira
nekuseka.Ndakangokwanisa
kutora ndove iya ndichimutema
naye izvo zvakaita anzwe hasha
uye maguards ake kuburuka
achiuya pandainge
ndakamira.Pavakati vade
kundirova ndakanzwa izwi
raLeon richiti *STOP* ,ko izwi
rake ndaitoriziva kunyangwe
ndiri kuhope chaiko.
*Lee:*Tynash wakuda
kuzoenderera
manje.akangosvika
nekundibata ruoko ndokutanga
kufamba neni achibva painge
pana Tynash nemaguards ake
asi Tynash akabva asara achiita
kudeedzera *She is not your
type my brother ,you deserve
better.Im going to tell Ashie
that you are cheating on
her.*Ndakaita kunzwa zita
rekuti Ashie richiita mahungira
munzeve dzangu ndokumira
ndakatarisa Leon kuti ataure
nyaya yake.
*Leon:*dont mind him ,he is
insane.I love only you Danai
please trust me.
Ndakaona kurevesa mumaziso
aLeon izvo zvakandituma kuti
ndisade kubvunza zvinoenda
kure ndokuramba
ndakanyarara hangu.Takati
tichisvika pamota akabva atora
plastic bag ndokubuditsa short
net shirt kuti
ndipfeke.Ndakashaya kuti aida
ndipfekerepi akabva andibata
ruoko ndokuenda neni
musango iye ndokuenda rimwe
divi.Ndakati ndichipedza
ndokudzokera kumota
ndokuona iye akapfekawo
hembe dzainge dzakafanana
nedzangu kutarisa tshirt yake
kudai ndokuona yakanyorwa
kuti _i love you Danai_
ndakabva ndamhanya kutarisa
yangu ndokuona yakanzi _l love
you Leon_

Ndakangokwanisa kusekerera
Leon ndokuuya pandainge
ndiri.
*Leon:*did you like it.
Ndakangokwanisa kugutsurira
musoro kuratidza kuti yes.
*Leon:*you are the best
girlfriend i could have ever
askwd God for .I ❤ you so
much.
*Me:*all my life have searched
but never found a boyfriend
who is so perfect for me.with
you i do not need to worry
about the future.l love you
Leon.ndakadaro ndakatarisa
pasi ndichiita kunyara.

Ndakaona ndasimudzwa achiita


kutenderera neni .Ndokusvika
achindigadzika pamusoro
pemota ndokutanga
kundikisa ,ndakatomhanya
kudairirawo nekuti ndainge
ndakuzivawoka uye ndakuziva
kuti huchi uwu chero dady
vakandiponda havo Leon
ndainge ndamuka pachokwadi.
*Leon:*unofanira kutenda vana
vevamwe nekukudzidzisa
kukisa.Takatanga
kumhanyisana ,tichitamba
chikudo chero vanhu vese
handina kana kuita basa
navo.Takati tiri pakati
pekumhanyisana
ndakavhunduka kuona pamberi
pedu pamira mota.

Ndakaona Leon asiri


kumbovhunduka kana,pasina
nguva ndakaona mamaids
achiburuka ndokumhanya
kunovhura door kuchiburuka
musikana ainge akanaka but
pandiri aisasvika hake.Ko
ndaizvionawo ndega kuti
ndiripo chero ndisina kuudzwa
nemunhu.Ndakazotoona kuti
ndiPrincess nezvaainge
akapfeka ndokutanga kufamba
kunge pasi pari kupisa achiuya
patainge takamira asi Leon
anenge akaona kuti ndaitya
ndokuuya achindimbundira.
*Leon:*hello Princess Mia .
*Mia:*what is going on here
,mamunhongepiko iro zivillage
girl iro.Ritone man'a zvaro.
*Leon:*can you stop this
okay...enda hako kwauri
kuenda please.
Ndakatoshaya kuti man'a ainge
amaona kupi uye
ndaisambotambura zvekudaro
zvekuti ndaibva ndanzi zivillage
girl.
*Mia:*uku ndiko kunodzi
kunhongerera my Prince ,Ashie
atori nane pane tsvina idzi.

Ndakatanga kuona misodzi


ichiyerera,ndaimbozviita
handinzwaro asi zuva iri
ndakarwadziwa kusvika
pamoyo chaipo kana simba
rekumudaira ndakarishaya.
*Mia:*dakunoudza dady
,havambofa vakatambira tsvina
idzodzi.Wanyanyoshayei kubva
waita kunhongerera
kudaro.Ashie ndikamuudza
haambotsamwe asi kutofa
nekuseka nekuti anenge atoona
kuti mukomana wake
anotoshaya vanhu
vekumurwadzisa naye.
Ndakaita kurwadziwa
nemashoko aya zvekuti
ndakangokwanisa kusandudzira
Leon ndokutanga kumhanya
ndichienda kumba.Ndakati
ndichingosviko pinda mugate
ndokusangana naKing apa Leon
achipindawo achiita
kufemereka.Hana yangu yainge
yawedzera kurova zvino.King
vakangoti vachitiona vakaita
ku.....

End of chapter 12
*CHAPTER 13*

_SALLIE_
Ndakarwadziwa pakaenda
Danai ndainge ndisisina munhu
wekutamba naye uye kuudza
nhamo dzangu sezvo Danai
aindisimbisa nguva
dzose.Ndakati ndichibva
kumuperekedza ndokusangana
naDasy akagara padombo
kuratidza kuti pane zviri
kumushungurudza asi handina
kuda kuzvitsvaga ndokutanga
kufamba ndichienda.Asi hakuna
kure kwandakaenda ndabatwa
ruoko.
*Dasy:*Salie please am sorry,i
love you so much please.Kelly
ndiye ari kuda
kungotiparadzanisa chete.
*Sallie:*ida vanokuda
vasingakude siyana navo
wanzwa.Ini handichakude
siyana neni.Ndakanzwa
ndadhonzwa zvine simba
ndokutanga kudyiwa
muromo.Kana simba rekupusha
ndakarishaya nekuti Dasy
ndainge ndakangomutsamwira
asi mumoyo ainge asina
kumbobva nepadiki
pose.Ndakazoita
zvekumusaidzira ndarangarira
kuti ndiye ainge akonzeresa
ndipiwe mushonga
ndokumusaidzira kwakadaro
ndokutanga kufamba
ndichienda kumba apa nzara
yainge yakuita kundivhunza
mutupo .

Ndichisvika kumba ndakawana


mhamha vangu vasipo apa
musina kana chikafu chekuti
ndidye ndakafunga kuyenda
kunoona mhamha vaDanai
sezvo kubika chikafu chekudya
uri wega kwaibhowa
ndichibuda pagedhe
ndakavhunduka ndichiona Dasy
akamira achichema moyo
wangu wairwadza kumuona
achichema asi panguva iyi
handina kuda kumuratidza
kurwadziwa kwangu nekuti
zvainge zvanyanya
zvekundirwadzisa kwake saka
ndaida kurevenger zvese
izvozvo. Pandakada kuti
ndimudarikire ndokundibata
rwoko zvekuti ndakatadza kana
kutsukunyuka kwacho
ndokuzongomira
*Dasy*: Please Sallie
ndokumbiro undiregererewo
nezose zvandakakuitirawo
*Me*: Nxaa ndozvaunga
ndimisire izvozvo unoti
handizviziye here kuti uchibva
pano wobva watoenda
kunoona Kelly saka ndisiye
hako ndakadaro hapana anonzi
akagara asina mukomana anofa
ita hako yaunoita ndoita
yandoita pressure zero
*Dasy* :I promise you kuti
ndichakurwadzise futi Sallie coz
you mean everything to me

Ndakabva ndatoona kuti


mumwe wangu airevesa nekuti
panguva yaaitaura misodzi
yainge ichiita kuyerera
mumatama.
Ndakamumbundira
ndichimuudza kuti
ndamuregerera tave kuchema
nhamo dzedu pamwe chete
ndokuzoenda neni kumba
kwavo akanondipa chikafu
sezvo ndainge ndamuudza
zvenzara . Ndapedza kudya
takatanga kutaura zverudo
kusvika taita mutambo
wevakuru ndokuzoenda kumba
panguva iyi ndainge ndakunzwa
mufaro mandiri nekuti Dasy
ainge akundiratidza rudo
rwepakutanga.Ndakati
ndichisvika kumba ndokuona
mama vakagara havo vega
vachiverenga bible ndokuenda
kunogara navo.
*Mama:*Sallie mwanangu
,ndinokuda kwazvo ende
unozviziva kuti
ndinokuda.Usandirwadzisewo
ndapota hangu.Kuona ndisiri
kutaura zvakawanda pamusoro
paDasy hakusi kuti ndiri kuti
chibva wafarisa naye.Ukaona
mukomana anonyanya kuda
kurara newe haambokude
nepadiki pose ,iwewe usati
irudo hako.Iye Dasy anoita
kuchinjanisa vasikana dai
aikuda aisambovata newe
aikuchengetedza.Chishuwo
changu ndechekuti unamatewo
mwanangu wosiya zvitadzo
zvako zvese Mwari vanokuda
zvakanyanya.
Misodzi yakangotanga kuyerera
ndega ndakufunga kuti ndainge
ndabvuma kunyengedzwa
shuwa shuwa nemashoko ese
andaigara kuudzwa naDanai
akabva adzoka mundangariro
dzangu.

Ndakangotenda mama
ndokuenda muimba yangu
yekurara ndokutanga kuchema
ndichikumbira ruregerero kuna
Mwari ndainge ndazvipira
kutendeuka asi hana yangu
yaiita kurova.Ndakaona
zvakakodzera kukumbira
ruregerero ndokurara.Zuva
rakatevera racho
ndakafumomuka ndokuita basa
rangu rese ,pandainge
ndakuenda kurwizi
ndakashamisika kuona Kelly
naDasy vari vese vachiita
kudyanana havo.Ndakaita
kupererwa chaiko
ndokungofamba ndichienda
ikoko
*Me*: Dasy handina
kumbokufungira kuti urimbwa
kudai pane chishuwo chako
kuda kunditambisa nekungoda
ndigare ndichichema hantie .
Manje enough is enough
ndoast day rekundiona
ndichataura newe usanditsvage
futi nxaa
*Kelly*: Usatikanganise hedu
kufara iwe njapisi ..iwe wanga
uchitsvagei kuno wawana
zvanga uchitsvaga nekuti
ukatsvaga makudo mugomo
unomawana
*Me*: Iwe nyarara ndisati
ndakukanganisa .
Ndakafamba ndokusvika
ndichipa Dasy mbama yekuti
anenge akatomboona rima
masikati machena. Hana
kukwanisa kundidzosera
nekuda kwenyadzi dzainge
dzazara maari . Ndakafamba
ndakuenda kurwizi ndichida
kunofurwa nemhepo apa
misodzi yaiita kuerera
mumatama zvakaita ndibva
ndatosiyana nekuisa Desy
muhupenyu hwangu nekuti
aikonzeresa kuchema kwangu
nguva dzose. Shungu
dzekuchema dzapera
ndakatangq kunamata kuti
Mwari vandibatsirewo
mumatambudziko angu sezvo
ndainge ndazvipira kusiya
zvakaipa zvose.

Ndakafamba kudzokera kumba


asi pfungwa dzainge
dzichishungurudzika
nezvandaisangana nazvo
nekuda kwerudo. Handina
kuona kuti kumberi kwangu
kwaibva mota ndakazongoona
yamira pamberi pangu .
Ndakazoziya kuti imota
yaTynash akuburuka. Misodzi
yangu yakabva yatanga
kuyerera apa hana yangu yaita
kurova akabva andipukuta
musodzi panguva iyi ndainge
ndakunzwa kumhanya kweropa
rangu zvekuti ndakatoramba
ndakaita kumutarisa
ndakutokanganwa kuti
ndandichichema.Zvandakanzwa
ipapo ndainge ndisati
ndakambozvinzwa muhupenyu
wangu kana ndina Dasy
handina kumbobvira
ndakanzwa zvakadaro.
Ndakasimudza musoro
ndokuwana Tynash
akanditarisa neziso raireva
zvakawanda ndokutanga
kufambisa musoro wake kuuya
kune wangu.Haana kuzosvika
ndokuti
*Tynash:*shit chii chiri kuitika
kwandiri.I have never feel this
way.akadaro ndokundisiya pasi
ndokuenda kumota kwavo
ndokufamba
vachienda.Ndakaita kusara
ndichiita sebenzi chairo kana
misodzi yese yakabva yapera
chiiko chainge chaitika pakati
pangu naTynash *nooo i cant
fall in love with this fool
noo.Lord help me,am not his
type*Ndakasimuka pandainge
ndiri ndokutanga kufamba
ndichienda kumba.Ndakati
ndava kusvika pagate ndokuona
Dasy akamira,ndakamhanya
kunotsvaga shamhu ndaida
kumurikita ainge akajaidzwa
mwana iyeyu kuda kundiita
tsime inini zvekuti aiuya pandiri
ane nyota.

Ndakasvika ndakaisa shamhu


yangu kumashure ndokusvika
ndichimubata ndokucheuka
paakati acheuke ndakanhonga
mavhu ndokumudira mumaziso
ndakatanga kumurova kusvika
ndakunzwa kuti ndashanda
basa hombe ndakazovhunduka
kuona mhamha vakuuya
vachimhanya ndokuenda
kunovagama kuti tiende kumba
nekuti pangu ndainge
ndashanda ndikapedza.
*Mama:*ungabva warova
munhu zvekudaro here nhai
Salie anyanyotadzeiko .
*Sallie:*ndiwo mubairo
wekusagona kuvhara zipi uye
kusada kuona munhu apfuura
hanzi ndaaite wangu.
Mama vakatanga havo kuseka
ndokutanga hedu kubika asi
ndaiti ndikafunga Tynash
ndainzwa kunge ndiri
kufambwa nemasvosve
chaiwo.Ndakambofunga
kuudza mama asi
ndokuzvidzora sezvo ndaida
kumboona zvaaireva.

Zuva rakatevera racho ndakati


ndichipedza kusuka uye
ndatopedza kugeza ndakuti
ndiende kunotenga muriwo
ndakashamisika kuona Tynash
akamira pagate pedu apa
kuchena kwaainge
akaita.Kutaura chokwadi regai
Tynash aite vasikana
vekuchinjanisa shuwa, mwana
ainge akanaka zvake iyeye kana
pfungwa dzandaiti ndiri kuda
kutsvaga chibage changu
dzakatiza ndokutanga kufamba
ndichienda kwaainge ari apa
achiita kusekerera.Ndakati
ndichisvika ndokutochinja face
yake.
*Tynash:*ndanga ndauya
kunoona kuti urisei
hako.Akadaro ndokutanga
kufamba achienda
kumota.akati achipinda
ndokuita kudeedzera kuti *dont
you ever think l love you
girl,you are not my type nxaaa*
Ndakati ndakuda kufamba
ndokuona mainini vangu
muninina wamama vangu
achisvika.Ndakaita kumhanya
kwavainge vari ko ndainge
ndava nemakore ndisina
kuvaona sezvo vaigara
kwaMurambwa uko kwainge
kwakaenda Danai.Mama vakati
vachingovaona chete vakatanga
kuridza mhururu kufarira
muninina wavo.Ndakatanga
kutogaya hora yekuti ndiende
navo sezvo ndainge ndava kuda
kutevera Danai.

End of chapter 13
*CHAPTER 14*

_DANAI_
Ndakati ndichingopinda mugate
ndokuona King vakamira
vakaita kundipa ziso apa Leon
achitevera kumashure.
*King:*what's going on here
Prince Leon.
*Leon:*mmm its nothing my
King.akadaro achienda kwainge
kuna baba vake izvo zvakaita
ndinzwe hasha ndokutanga
kufamba ndichienda kucottage
kwedu.Ndakati ndiri pakati
pekufamba ndokusangana
naTynash achiita kuseka
akanditarisa.
*Tynash:*dakuti uite maid
wangu
wakajaidzwa.Ndakangoridza
tsamwa ndokutanga kufamba
ndichienda mumba.
Ndakasvika ndokupinda
mumagumbeze ndokutanga
kuchema ndirimo kana bhutsu
handina kana
kubvisa.Ndakazoita
zvekuvhunduka ndavhurwa
musoro ndokuona ari Leon.
*Me:*kasi kana tichigara
pamba penyu zvakureva kuti
chiita zvaunoda mumba
mevanhu.Kwenyu ndeuko
kumansion kwenyu muno
ndemuduwo saka unofanira
kuknocka kusvika wanzi pinda
kwete kungopinda seuri
kupinda paloo yepambare.
*Leon:*am sorry
Danai,ndanoka asi hauna
kundinzwa .I have come to
apologise my love.
*Me:*please leave ,ndakadaro
ndichimuka ndichimubata kuti
abude asi Leon akabva aita
kunditarisa mumaziso zvekuti
ndakashaya kana simba
rekumudzinga racho.

*Leon:*Ashie ishamwari
yaMia ,i dont love her Danai
please believe me.I love only
you.
*Me:*nxaa ukaita kunge uri
kutaura nemwana wako
zvobhowa here.Dai wanga
uchindida waudza baba vako
nguva dziya kwete kuvhara
kwavaita
*Leon:*waiona zvichiita here
,ndiri kumirira time yacho.This
is my father ,the King.ndini
ndovaziva handiti.Please try to
understand.
*Me:*ndazvinzwa tsano
,ndokumbirawo mubude
ndoziva tiri mapocha pano.
Haana kuita nharo ndokutanga
kupesanisa makumbo ake
achibuda achienda.

Ndakasara ndokuzviwisira
pamubhedha ndokutanga
kuchema . Shungu dzangu
dzapera ndipo pandakatanga
kufungisisa ndokuzoona kuti
zvandainge ndaitira Leon
zvakashata saka ndaifanira
kumukumbira ruregerero .
Ndakabuda kuti ndiende
kunokumbira ruregerero asi
ndakashaya kuti ndoitasei kuti
ndimuwane ndakapererwa
ndakamira padoor
ndokudzokera mukati ndipo
pandakazorangarira kuti
ndaifanira kunamata sezvo
ndainge ndisina kumbobvira
ndanamata zuva rese.
Ndichipedza kunamata
ndakaona tete vakupinda
vachiti ndaidiwa naKing . Hana
yangu yakatanga kurova
ndokungozvishingisa ndakutera
tete. Ndakawana vakagara
ndokunditi
*King*:Danai ndakudaidzira
kuti undiudze kuti chii
chirikuitika pakati pako naLeon
nekuti angouya achizvivharira
door muroom make achibva
nekumba kwenyu izvezvi
arikungochema arimo tashaya
kuti topinda sei imomo
*Me*: Hapana chandirikuziva
chaitika ini. Ndokumbirawo
munondiratidza muroom make
macho maybe ndikaknocker
ndirini anovhura door rake.

Panguva iyi ndaitaura


ndakazvishingisa asi ndaitya
kuti King vaizondirambidza
kupinda mupalace ndonotaura
naye. Vakamboramba
vakanyarara vakanditarisa
zvekuti ndainge ndakutonyara
chaiko ndakazonzwa kufara
ndakunzwa vakudaidza maid
wavo vakumuti andiperekedze
kuroom kwake. Ndakasvika
ndokugogodza haana kana
kudaira asi ndaitonzwa kuti
aichema zvinova
zvakandirwadza moyo.
Ndakabva ndazoita
zvekudaidzira kuti azive ndini
ndainge ndiri padoor . Haana
kupedza nguva paakaziya kuti
ndini ndokungouya achivhura
door ndichipinda iye achibva
atokiya door
Ndokumboita nguva tese
takungochema pasina ataura
nemumwe. Ndipo
pandakazoenda paari
ndokupfugama
*Me*: Sorry hako nezvese
zvandakuita ndanga ndakurirwa
nehasha kusvika pakutadza
kuzvidzora.
*Leon*: ndakuregerera Danai .
Thanks nekuuya uchindiudza
izvi nekuti ndandarwadziwa
pasina iwe hupenyu hwangu
hauna kwahunoenda
Ndakasimuka
ndokumumbundira
ndokutoona hezvo inga
ndakutopihwa matsvodi .
Ndakakiswa zvekusvika
ndakunzwa kuti pano ndakiswa
apa ropa rainge rakuita
kumhanya zvisingaite uye
zvangainge ndonzwa panguva
iyi zvainge zvisisanzwisisike .
Ndakatoona kuti zvaizoita
zvimwe ndokumuti ndakuda
kudzokera kumba kunobika
tete vanodzoka vaneta vese
nabamkuru. Haana kuramba
zvake ndokuti titange tanamata
ndisati ndabuda
*Leon*: Mwari titungamirirei
pose patinenge tiri ndimi
makaona zvakakodzera kuti
ndive nemwanasikana wenyu
Danai chitai kuti pashaye
mweya wetsvina
uchatipesanisa. Amen .
Achipedza kunamata
ndokundipa katsvodi pamhanza
achiti
*Leon* : I love you Danai
handikusiye mukufara
nemukutambudzika nekuti
ndiwe unondipa rufaro
muhupenyu hwangu
*me*: I love you too Leon
Takambundirana ndokutanga
kufamba zvedu ndakuenda.
Takusvika padoor
ndakasanganidzana naMelly
padoor ndokuita kuridza
tsamwa achitarisa kuside .
Leon akabva akasika kunditi
usamudaire ndokufamba zvedu
takuenda takabatana maoko.
Ndakusvika ndakapihwa kiss
yakandiita kuti
nditenderedzeke brain dzangu
ndokuzodzokera

Ndakasvika nekungovhura door


tete ndokutanga kuseka
*tete*: Danai uchatitira zvimwe
pano. Wagona kunyarararidza
munhu atadza kana
kunyaradzwa nevanhu vese
mupalace kusvika zvazonzi
udaidzwe ndokutosvika
achikuvhurira door .
Ndakashaya zvekudaira
bamkuru ndokuzodairira vakutii
*Bamkuru*: Asi manga maudza
Prince Leon kuti hamuchavada
*Tete*: Apa honai t- shirt yake
zvayakanyorwa
Ndakanyara ndokutanga
kufunga kuti King vazviona asi
hapana zvavataura uye pamwe
ndizvo zvavamborambira
vakanditarisa
Ndakaona kuti ndikaramba
ndiri munana tete hazvibude
nekunyara kwandainge
ndavekuita ndokuenda kuroom
kwangu . Ndakasvika ndokurara
dzehumambo zvangu hanty
ndandapihwa kagood nyt kiss
nadaddy ko ndaizofungei
zvimwe. Kudya zuva iri handina
nekuti ndainge ndaguta nerudo
zvangu pachokwadi ndainge
ndapengeswa naLeon
zvekusvika pamongo
wemabhonzo angu.

Zuva rakatevera racho


ndakamuka ndokuita basa
rangu sezvo vana tete vainge
vatoenda kare.Ndakati
ndichipedza zvose nekugeza
ndokuona Leon achiuya
pandainge ndiri ndokusvika
achindipa good morning kiss.
*Leon:*Morning my love,how
was your night..Miss you sooo
much.ndakangoramba
ndakanyarara ko Leon ndainge
ndichiri kumunyarazve.
*Leon:*ndauya kuti ndikuoneke
Danai,ndiri kuenda kuHarare
for a week.Am going to miss
you.

Ndakashaya kuziva kuti misodzi


yainge yabvepi.Leon akabva
auya ndokundimbundira
achindinyaradza.Takaita
zvekuvhunduka kunzwa munhu
aiombera maoko.Kucheuka
kudai ndokuwana ari Mia.
*Mia*: Prince Leon ndotoshaya
kuti munodei pana poor village
ivava muchisiya Ashie
*Leon*: Nhaiwe Mia
ukunetswa nei hantie munhu
anozvisarudzira zvaanoda ega .
Ndiri mwana here ini
anoudzirwa zvekuita manje
ndiye wandakasarudza kuva
naye handife ndakamusiya.
Panguva iyi aitotaura achiuya
kuzondimbundira nekundikisa
pamhanza. Handina kudaira
nekuti ndaida kuona kuti nyaya
yacho yaizosvikepi.
*Mia:*handifunge King
vanobvuma zvakadai izvi.
Leon paakada kuti adavire
takavhunduka kunzwa King
vachitaura vari kumashure
vachiti *my son can not marry
this cheap girl.Leon your future
wife is Ashie not this poor girl.*

Ndakatanga kunzwa simba


rangu richipera zvishoma
nezvishoma ndokudonha pasi
zvakazoitika handina
kuzozviziva. Ndakazongo
pepuka ndakuona ndakarara
pamakumbo aLeon achichema
tete nabamkuru vachichemawo
Leon paakaona ndamuka
ndokufara vese nana tete ndipo
pandakarangarira zvainge
zvabva kuitika misodzi ikabva
yatanga kuyerera Leon
achindipukuta kusvika shungu
dzapera dzekuchema akabva ati
vanhu vese ngatinamate.
Takati tichipedza kunamata
Tynash ndokupinda achiita
kuseka achiti *i told you
Danai ,you will never win.*
*CHAPTER 15*

_SALLIE_
Ndakatanga kugaya hora nekuti
apa ndaisada kusara.Ndakati
ndichipinda mumba mama
ndokuti ndimhanye
kunotengera mainini
drink.Handina kuda kutambisa
nguva ndokubuda. Munzira
mese ndaiita kumhanya kunge
ndichatyoka makumbo kusvika
ndasvika kumashops
ndokutenga zvandaida.
Pakudzoka ndainge ndaneta
ndokufamba zvangu
ndakudzokera ndakavhunduka
kuona mota mberi kwangu
zvandaisafungira ndakatoziya
kuti yaisava yemumwe munhu
kunze kwaTynash. Yakamira
pandaive Tynash ndokuburuka
akuuya kwandaive akaita
kuchena zvekuita kunge
mutwin wa *Freeman HKD
BOSS* pakuchena kwake.
Akasvika ndokundimbundira
zvakaita musoro wangu
utenderere zvekwamberi
chaizvo .

Ndakaramba ndaka steaker


zvekutadza kuziva zvaiitika
ndokuzovhunduka ndakunzwa
Tynash akunditaudza
*Tynash*: Urikufungei nhai bae
*me*: hapana zvandikufunga
ini
*Tynash*: urikunzwawo zvandi
kufeeler
*Me*: No ukunzwei
*Tynash*:Never mind ..oky
ukubvepi uchifamba
zvekuratidza kuneta.Ndakapera
simba nemhinduro yaTynash.
Ndakazomudza kwandaibva
nezvandaibva kunoita asi
ndainge ndatoneta nemhinduro
yake . Akazondipinza mumota
ndokunondisiya pagedhe
ndokusiya ati
*Tynash*: Hey you village girl
kukukwidza mota yangu it
doesnt mean i luv you.. Good
bye
Ndakaita kupererwa chaiko
zvekutadza kudaira
ndokungozvuva makumbo
ndakudzeya zvandainge
ndaudzwa.
Zvandainzwa towards Tynash
zvaikunda goma kurira
chaiko.Ndaiti ndikamuona
ndainzwa kudumbu zvekuda
kuenda kuloo
chaiko.Ndakapinda mumba
ndokuona mama naamainini
vakamira pawindow,vachiita
kuseka zvavo.
*Mainini:*heede seka zvako
,ndiwe here wadiwa naPrince
avo zvekutotadza kana
kufamba chaiko.
*Me:*ndivade ini
mama,ndakasiya izvozvo i dont
date.ndakangodaro kuvhara
nyadzi chaidzo asi chokwadi
Tynash ndaimuda ndainge
ndazvipa chitsividzo
chekumbomira asi apa ndainge
ndazvipira kuchiparadza nekuti
i have strong feeling for this
guy who called himself Prince
Tynash.Ndainge ndazvipira
hangu kudanana naye
nekuwanza kwake vasikana uye
ndainge ndatozviona kuti
anondidawo asi aiwanza pride.
*Mainini:*ayas handidi hangu
uzouye kwatiri wakuchema
nekuti vana mama vako ndivo
vana tete venyu
mazuvano.Prince Tynash
vanoita kuchinjanisa vasikana
uyu ndingakunyepere hangu.

Ndakatoona kuti nyaya idzi


ndokubuda hangu ndakufunga
kuenda kunoona mai Danai .
Ndakaona Kelly nemusikana
uya wekundipa mushonga
anonzi Tania vachiita kuzvida
ndikakwenya munho
nekasiyamwa nekuti ndainge
ndava bata good tym cz
ndaitoda kuvapedzera shungu
dzekunyadziswa kwandainge
ndaitwa naTynash . Kuti vatize
zvainge zvakusaita ndakananga
kuna Tania ndiye wandaida
kunyanya nhaimi munhu
angade kundipfudza panyika
kunge ndiye akandisika
*Me*: You think you are clever
hantie chihuya tipedzerane
nhasi chekutanga ndoda
undidze kuti waidirei
kundiuraya then chepiri ndoda
kukudzidzisa kuti usapote
uchitenga nyaya dzevanhu
Ndakaona akuita kuvhura
maziso achitadza kupindura
ndakavabata maoko avo vese
ndokuva batanidza nebelt
reskin jean randainge
ndakapfeka ndokuenda
kunotemha zishamhu
rekuranga mapenzi angu.
Ndakarova vanhu kusvika
mbabvu dzakurwadza nekurova
chete vese vakamboridza
mhere but hazvina kushanda
kwandiri the more yavaichema
the more yandaiwedzera
kuvarova kusvika vanyarara.
Ndakazovhunduka voice richiti
*Stop*
Pandakati ndicheuke ndokuona
ari Dasy achiita kufemera
padenga kuratidza kuti ainge
abva kure achimhanya
*Me*: Nyarara hako iwe Dasy
nekuti ndogona
kukubatinidzirawo pambudzi
dzako idzi nxaaa
Akashaya chekudaira
ndokumira kure neni chaiko
anenge aitotyawo ndipo
unoona kuti vamwe vanhu
varume pasina shuwa
ungatadze kubatsira vamwe
vako nekutya kurohwa chete .
Ndakazovasungunura
ndokufamba kudzokera kumba
ndokusiya vakadaro
ndaigoendepi rwendo rwangu
rwainge rwadimburwa
nanagurwe ava. Ndichisvika
kumba ndakasvika ndichiita
kufara chaiko nekuti ndainge
ndatsiva vanhu zvaindifadza asi
yainge isati yapera. Ndakaudza
vana mhamha zvose
zvandainge ndaita
ndokundiseka zvavo.

*Mainini:*dai takawana tsamba


yacho uye nechigubhu
tasungisa vanhu ava nekuti
vanogona kuronga zvimwe
futi.Pandakati ndidavire
takanzws mazwi evanhu
vaichema ndokubuda panze
ndokusangana neshura chairo
vainge vari vana Kelly naTania
neamai vavo.
Ndakaona Mainini vakumhanya
kunotaura sezvo vainge vari
munhu anoda nyaya
zvakanyanya uye pamuromo.
*Mainini:*tokubatsirai nei
kwamunouya muchiita ruzha
pachivanze pangu kunge
kwafiwa.
*Mama vaKelly:*mwana wenyu
arova vana vangu
*Mainini*: Shuwa hamunyare
mukadzi mukuru kufambira
zvevana vadiki pavakapa
mwana wangu mushonga
takambouya kumba kweny
*Mai Kelly*: Matiii��� .. Nhai
vana imi ichokwadi here ichi
Havana kudaira vakungovhura
maziso mai vavo ndokuvati
fambai tone
munonyasondiudza nyaya
yenyu zvakanaka
*Mai Kelly*: Sorry henyu
nezvakaitika ndokumbiro
mundudzo kuzvii zvakaitika kuti
vazosvike pakudaro
Mhamha vangu vakatsanangura
zvese hapana zvavakasiya
ndakaona mai Kelly vakueredza
misodzi vega ndokuti "nhai
Kelly uneshuwa kuita zvakadai
uchitadza kuita zvemabooks
nezera rako iri unonduudza kuti
wakuziya varume
iwewe.Nenhamo yandinoona
vana imi kuti muenda
kuchikoro mava kundiitira
zvakadai shuwa"
*Me:* mwana wenyu uyu
apedza maticha ose
pachikoro ,ndaitoshaya kuti chii
chinoitika paari ndazozviona
kuti nhamo ndiyo inomutuma
kudaro uye demon.
Ndakaona mama vakuita
kundipa ziso ndokunyarara
nekuto ndaiziva zvazvaireva.
*Mai Kelly:*vana ivava
vandinetsa
*Kelly*: Imi kuita vakomana
kwedu kwashamisei imi
maisaita here manje ini
handiudzirwe zvekuita nevanhu
nxaaa
*Mai Kelly*: Nhaiwe
ungandipindurewo zvakadaro
ndiri mai vako
*Kelly*: Who cares hantie life
yacho ndeyangu here
Mai Kelly vakabva vanyarara
ndokutanga kungoeredza
misodzi yairatidza kurwadziwa
zvakanyanya ... Mhamha
vakavanyaradza
ndokuvaperekedza vakuenda
kumba kwavo.Ndakaita
kuvanzwira tsitsi ndipo
paunoona kuti kubereka
inhamo chaiyo.Ndakabva
ndaenda kunogeza sezvo
ndainge ndamborwa nana Kelly
saka ndainge ndava kuda
kugeza futi sezvo ndainge
ndashanda basa guru.

Ndakati ndichibva kugeza


ndokurara hangu asi
ndichifunga
Tynash,ndakatozoita
zvekuvhunduka mainini
vachindiseka vakanditarisa.
*Mainini:*pandabvirira
kukudeedza nhai Sallie uri
kumbonyanyofunga chii
nhai.Ndati ndataura namama
vako dakuti uende kunoshanda
kuPalace.Ndakaita kunzwa
kufara chaiko ndainge ndava
kuchienda kunoona Danai full
time uye kumuudzawo about
*MY LOVE FOR THE PRINCE*
End of chapter 15

*CHAPTER 16*
_DANAI_

Akati achitaura mashoko aya


ndokubuda hake mwana
wevanhu.
*Leroy:*Danai ,handina
kumbobvira ndaona Dady
vangu saka ndodzoka
ndichikuona. Ndakango
gutsurira musoro
ndokungonyarara zvangu
pasina nguva tete vakabva
vasvika
*Tete*: Pray for your
relationship my daughter coz
satan ari pabasa
Ndakaona zvaitaurwa natete
zvichibatsira nekuti ndaiziva
kuti nothing imposible with
prayers . Takanamata pamwe
chete natete . Tichipedza
ndokuonzwa nock padoor
ndakamhanya kunovhura
ndokuona vari Queen Tasha .
Ndakavati vapinde ndokunanga
kunozviunganidza mucorner
ndakamirira kunzwa kuti
vataure zvavavinga

*Queen Tasha*: Ndauya kuti


ndizotaure naQueen vadiki ava
kuti ndinzwe kuti King
zvavasina kuvafarira vachaitasei
*Tete*: Zvakangooma hazvo
vana vacho kana vachidanana
zvemashuwa zvinonetsa kuti
uvaparadzanise
*Queen Tasha*:
Ndakambovaudzawo kuti siyai
vana ava vakadaro
vakazviramba ndikasiyawo
vakadaro asi chandoziva
muroora wangu mukadzi Leon
ndi Danai nomatter what
comes vachave vese
Ndaingosekerera ndirimukona
imomo ndokuona kut
ndaizobatwa ndokubuda
ndakuenda kuti ndinobikira
amwene vangu hantie vainge
vatondiratidza kuti vaindida
saka ndaida kuvaratidzawo kuti
ndiri muroora akarongeka.
Ndaisambofungira kuti Queen
Tasha vaizidya asi vakatodya
chimbodho kunge munhu
anopenga.
*Queen Tasha:*Danai pano
paPalace panana Queen two
,me and Queen Tia .Ndivo amai
vaMia and she is the second
wife.Zvizhinji uchaona wega
pavanouya.
Ndakangokwanisa kugutsurira
musoro asi ndainge ndatoona
kuti vanenge vane moto Queen
Tia wacho nehunhu wandainge
ndaratidzwa naMia.
*Queen Tasha:*you have to be
strong ,vigourous and
courageous for your
relationship.Its not easy byt it
can achieved because did it for
Joshua.Being prepared for
tougher times ahead but there
is an assurance that God is with
you and already there at the
poiny of trouble.vakadaro
ndokusimuka vachienda kana
nguva yekudaira
ndakarishaya.Tete vakabva
vabudawo,kana kuti ndibude
panze ndainge ndava kutya.

Ndakazongorovera moyo
padombo ndokuenda kuseri
kwe cottage.Ndakati
ndichingogara pasi ndakaona
Tynash akuuya pandainge ndiri
ndokusvika achiita kunditarisa
mumaziso ndokutanga
kufambisa face yake kuratidza
kuti ari kuda kundikisa
ndokumusaidzira kure.
*Tynash:*chii chinoshamisa
ipapa handiti ndizvo
zvavakavinga pano here.Kunge
kusada ipapa apa utone nyota
futi.akadaro achiita
kundidhonza zvine
simba.Paakada kuti andikise
akavhunduk paakanzwa Melly
achiridza mhere
ndokundiregedza achitanga
kufamba achienda.Apa ndainge
ndava kuita kudedera zvino
,Tynash aimbondiona semunhu
akaita sei nhai?
*Melly:*aww saka ndizvo
zvawakavinga pano kuita basa
rekuda kutora varume vevanhu
manje nhasi
topedzerana.Akadaro achiita
kundirova mbama zvekuti
ndakaita kunzwa hasha
ndokumurova mbama
achinovira pasi ndichienda
pamusoro pake.Paakada kuti
aridze mhere
ndokumudhonyera jira
mumukanwa.Ndamatanga
kumushndira achingoshinyira
ko ndainge ndava kumupedzera
hasha dzese.Ndakaita
zvekuvhunduka kunzwa izwi
raitaura pamusoro.Kucheuka
kudai ndokuona vari King.Iii
ndakaita kunyara kana simba
rekubva pamusoro paMelly
ndakarishaya.
*King:* iwe Danai haukodzere
kuita mukadzi waLeon nekuti
hauna hunhu saka haufanire
kunzi Queen saka ndave
kukupa punishment
yekushanda pano papalace as
maid no pay
Ndakangovhura ziso
nezvaitaurwa izvi nekuti ini
ndainyasoziva kuti papalace
ipapo ndichazove mukadzi
waLeon saka ndaisarwadziwa
nekushanda . Ndakangodaira
kuti ndazvinzwa
ndokungozhinya vachienda
ndakatoshaya chaizhinyisa
ipapo.Ndakati ndava padoor
Melly ndokutanga kuseka izvo
zvesvoto chaizvo.
Ndakaona kuti uyu
ndinotokwadza chaiko
ndokupinda mumba
ndokutanga hangu kubika
zvemanheru ndichimirira vana
tete nabamukuru.Zuva iri
bamukuru ndivo vakatanga
kusvika.
*Bamukuru:*ayas ende
mukadzi wangu une simba
rakawandisa kana chikafu
tichambokunyimai.vakadaro
vachinditambidza hembe
dzandaizopfeka mangwana
ndava kushanda
mupalace.Pandakati ndinorara
ndakaona maid asvika
ndokukumbira vana tete achiti
ndiri kudiwa
naLeon.Ndakashamisika kuona
tichienda kuseri kwechikwere
chehuku apa Leon anga
akapfeka
saguard,ndakatombokanganwa
zvandafambira ndokutanga
hangu kuseka kusvika iye
andibata muromo.
*Leon:*please saseke Danai
,ndikaonekwa unopinda pama1
iwewe.King havasi kumboda
zvisina basa.
Ndakangogutsurira musoro
achinditambidza plastic bag
ndokuti ndinozovhura kumba.
*Me:*i cant put your life in
danger Leon.Lets just quit this
relationship okay.
*Leon:*if you really wanted me
to live bae ,please dont leave
me.l love you whole heartedly.

Tears couldnt stop to fall from


my eyes.ndakanzwa
ndakudziirwa ndikaziva kuti
Leon andimbundira.
*Leon:*lets fight for our
relationship Danai.There is
power in praying.Lets lean on
,trust in and be confident in the
Lord with all our heart and
mind and do not rely on our
own insight or understanding.In
all our ways know ,recognise
and acknowledge him.and He
will direct and make straight
and plain our paths.Ndakaita
zvekuvhunduka maid uyu akuti
Leon anga achideedzwa
naKing.Leon akangobva pandiri
ari bara
ndokuenda.Ndakangokwanisa
kutenda maid uya
ndokudzokera asi hakuna kure
kwandakaenda ndokusangana
naMia naMelly vakamira
kumberi kwangu.
Mia akangosvika nekundirova
mbama zvekuti ndakashaya
kana nguva
yekudzosera.Ndakangosimuka
pandainge ndadonha ndokuti
ndifambe asi ndakabva
ndabatwa zvine simba
ndichinovira pasi.
*Mia:*didnt i not warned you
to stay away from my
brother.Kana uri kuda
kurarama hako ita
zvandakuudza.
*Me:*ndinokupai respect
saPrincess asi mukadarika
mwero topedzerana.ndakadaro
ndichinhonga plastic rangu
ndokutanga kufamba
ndichienda.Ndakati
ndichingopinda mumba
ndakaita kunzwa kutura befu
kwevanhu vaivamo.
*Bamukuru:*ndanga ndava
kutya mainini,motoita zvinhu
zvenyu makagwarira nekuti
munogona kuzotibatanidzirawo
Ndakangokwanisa kudzungudza
musoro ndokutambidza tete
plastic riya.Ndakaona
vakubuditsa card box
refon,ndakaita kufara nekuti
ndaitishuwirawo kuzova
nefoni.Tete vakabva vatanda
kutondidzidzisa kuishandisa
sezvo yainge ine zvese.Ndakati
tichipedza Leon ndokufona
,ndakanzwa kufara kwazvo apo
akandiudza akuti King vainge
vasina kumbofungira kuti ainge
auya kunondiona.

*_SALLIE_*
Following day ,ndakakasika
kumuka sezvo ndaida kusiya
ndagadzirira mama zvinhu
zvavaisara
vachishandisa.Ndakati
ndichipedza kutsvaira
ndokubuda ndichienda
kunotsvaga huni asi hakuna
kure kwandakaenda
ndakashamisika kuona Tynash
akamira padivi
peroad.Paakangondiona akabva
andidhonza padivi pake .
*Tynash:*i just love how your
eyes glow,they are quite big
and cute.
He got closer to me and kissed
my lips,i couldnt help myself
but to kissed him back.The kiss
went for a while.ndakazoona
ndava pasi kana nguva
yandakapushwa ndakaishaya
,kutarisa Tynash kudai
ndokuona achipukuta muromo
wake ndokuti.......
End of chapter 16

*CHAPTER 17*

_SALLIE_
Tynash akapukuta muromo
wake ndokuti
*Tynash*: une shuwa kukisa
Prince uchiziva kuti urikunhuwa
mukanwa
Panguva iyi ainge achitofamba
achienda kumota yake
ndokutotanga kuyenda.
Ndakambozvitswinya mbichana
ndichida kuona kuti ndairota
here kana ndezvechokwad asi
ndakaona chiri chokwadi .
Ndakarwadziwa veduwe
nezvandainzwa ndina Tynash
zvaiita kuti ndinzwe moyo
kufara asi mashoko ake aibaya
pamoyo sepfumo chairo.
Ndakazvishingisa ndokumuka
ndakukweva makumbo
ndichitsvaga pekuti ndigare apa
misodzi yainge iri nzizi
pamatama angu. Ndakachema
kusvika shungu dzapera
ndokuzonamata kuti
ndiwanirwe nyasha nedenga
uyu ndiwo wainge wave
mutemo wangu wekunamata
nguva dzose mukufara
nemukuchema.
Ndakasimuka ndokutanga
kutsvaga huni dzangu
nekukasika kutsiva nguva yese
yandainge ndapedza
ndichitamba naTynash .
Ndakudzokera kumba
ndakanzwa vanhu vataura pane
rimwe dombo raive kuseri
kwechuru ndokuendako kuti
ndinoona kuti vaiva anani .

Ndakapererwa ndichiona shura


raDasy na Tania vakarara vese
padombo ipapo. Ndakatora
hembe dzavo ndokuombera
maoko ndaona kuti vanhu
vainge vakanyura murudo
zveshuwa. Vose vakavhunduka
pavakada kutora hembe vainge
vatononoka kare
*Me*: Nhaimi mukati
hamusirimi murikutadzisa
mvura kunaya ndochii ichochi
*Tania*: Nyarara iwe
waisazviita here wakuzona
kushura kwazvo nhasi
*Me*: shamwari panguva
yandakazviita ndainge ndisati
ndaziya Mwari now ndave
kuziva saka ndatosiyana
nezvandaive kare
Ndakaona Dasy akuita kunyara
chaiko kana chekutaura
akachishaya nenyadzi
ndakatemha shamhu yangu
ndokuvarova vese ndokuvapa
hembe dzavo ndavaranga.
Ndakazoita zvekuvhunduka
shamhu yabatwa naDasy
ndokutanga kundirova asi
hakuna kure kwaakaenda
shamhu yabatwa.Kusimudza
musoro kudai ndokuona ari
Tynash apa akaita kufutisa face
kunge datya.
*Tynash:*how dare you lay
your hands on my princess.
Ndakaona Dasy naTania vakuita
kuvhuraa ziso nekuti Tynash
aisamboita kuti anzi mukomana
wangu ainge ari dope plus he
was every girl dream
guy.Ndakaona Tyansh
akundisimudza ndokuenda neni
kumota kwake,zuva iri
ndakashamisika kumuona ari
ega.
Ndakaona Tynash akufambisa
muromo wake and kissed me .I
couldnt help myself but kissed
him back.The kiss got heated
up ,it went for on for a while.I
was on cloud nine,i had wished
this will never end .I was afraid
to open my eyes least all this
becomes a dream.I have been
kisded but this time around it
was different ,it was more tha
just a kiss.The feeling was
unexplainable,i swear i had
never been to Paradise but i
was so aure that this is how it
was.Ndakaita zvekuvhunduka
Tynash andisaidzira padivi
ndokutanga kutaura hake
rough
*Tynash:*nhaiwe mwana iwe
une shave
here,wandikisirei.Look at
yourself ,you are not even my
type.Dont date village girls.
*Me:*nxaa saka unenge
uchidei pese paunondibatsira
kana pandinokuona.I dont love
you too ,nodeiko pamukomana
anochinja vasikana zvekudaro
nxaa.Ukandiona usandibatsire
futi ,ukangondibatsira chete
nondida.
Ndakadaro hangu ndichitoseka
nekuti pachokwadi Tynash
ndainge ndamuda ,was crazy
over him and couldnt stop
thinking about his touch and
kisses.
*Tynash:*une nhamo mwana
iwewe ende unoda zvinhu.Do i
look like a cheap guy.
Handina kuda kuramba
ndichiudzwa zvisina basa
naTynash ndokubuda mumota
ndokutora huni dzangu
ndokumhanya kumba sezvo
ndainge ndanonoka.Ndakati
ndichisvika vanhu vese vanga
vatondimirira.Semwana
handina kushaya zvekunyepa
ndokumhanya kunogeza sezvo
mainini vainge vatopedza kare.
Ndokubuda zvedu toenda
kupalace umwe moyo waifara
kuti ndakunogara naTynash
padhuze pamwe kusvotwa
nemaitiro ake.
Takasvika paPalace paya
paigara mainin ndokuwana
chishamiso chaicho Tynash
ainge akagara nemumwe
musikana pakangondiona
achibva atanga kumukisa
zvakandibhowa kusvika
kwekupedzesra asi chekuita
ndainge ndisina zvangu.
Takaenda kuseri kwemba
yamainini ndokunopihwa
mauniforms sezvo ndainge
ndatowanirwa basa kare ipapo.
Tynash akabva atidaidza tese
namainin ndokuti mainin
vambozorora ndini ndaifanira
kushanda ndega zuva
iri.Ndakatoona kuti uda
kwaitova kuwachisa chete.
The following ndakamuka
ndokugadzirira zvekuenda
kubasa muPalace ndokuona
munhu akaita saDanai
achitobuda mumba
akangopfeka zvakafanana
nezvangu ndakangoofunga kuti
vanhu vanofanana ndokusiyana
nazvo . Pandakapinda
mupalace ndaida kutsvaga
munhu wandainge ndaona
akafanana naDanai ndokubva
ndatosanganidzana naye
padoor zveshuwa ndainge
ndisina kukanganisa kuona aive
iye Danai. Ndakamumbundira
nemufaro uye ndakaziva kuti
zvangu zvainge zvaita.
Ndakaita zvekuvhunduka
neizwi raTynash apa
ndakatanga kunzwa ropa rangu
kumhanya mhanya
pandakangonzwa izwi rake.
*Tynash:*hakusi kumba
kwenyu kuno ,get back to work
now.Akati kutaura achiita
kudeedzeresa zvekuti
ndakangosiyana naDanai
ndichimhanya
kwandaisaziva.Ndakazoita
zvekuvhunda ndichinodhumira
pamunhu kusimudza musoro
kudai ndokusanganidzana
maziso nemukadzi ainge akaita
kufinyamisa kumeso kunge
munhu ari kudy lemon
kudaro ,ndakaona dressing
yake ndokuziva kuti ndi Queen
chete.Ndakaona ndapiwa
mucheka ndichinovira pasi
ndokusvika ndichirovera
paruoko ndokutanga kuyuwira
ndiripo asi Queen vaya
vakatofamba vachinditsika
vachienda.

Pasina nguva ndakanzwa


Tynash kuti asvika with his
colgned.Akasvika
ndokundisumudza achiratidza
kurwadziwa zvakanyanya
ndokuenda neni muroom make
,ndakaziva kuti muroom make
nemapicx asi ndakazorwadziwa
apo ndakaona mamwe ane
musikana uya wandainge
ndamboona vagara vese.
*Me:*woow someone pretends
like he dont love
me.Wakanganwa zvawakataura
kuti ukandibatsira futi
unondida.
Tynash akangoridza tsamwa
achindibata ruoko rwandainge
ndakakwara ndokundisaidzira
panze.Ndakatanga
kuzvishingisa ndokusimuka
ndokusangana naQueen
vamwe futi asi avavairatidza
kuti vakasununguka kwazvo
ndokuti vainzi Queen Tasha
ndokuti nditori warm water
ndinogeza Prince Tynash
makumbo.Umwe moyo
wakafara asi umwe waitya
kunoshurwa futi
naTynash.Ndakavaudza kuti
ndaisaziva kwekuwana mvura
kwacho ndokundiratidza.

Ndakabva ndaenda kuroom


kwaTynash ndokusvika akarara
akatarisa mudenga
ndokumubata asi akaratidza
kuvhunduka kuratidza kuti
pane zvaaifunga.Ndakamuudza
zvandainge ndafambira haana
kuita nharo ndokundipa
makumbo ake.Pandakati
nditanhe kugeza ndakatadza
ruoko rwangu rwairwadza izvo
zvakaonekwawo naTynash
ndokutanga kuriswatanura asi
hakuna kure kwaakaenda
musikana wake uya
ndokupinda achiita kurovera
door.
*Tynash:*ko wadii kunoka door
,sei usina respect Melly.
Ndipo pandakabva ndaziva zita
raje kuti vainzi Melly mai
yedzungu iyi.
*Melly:*ndiri musikana wako
so they is no need for me to do
that okay and whats going on
here.Akadaro achiita
kunditarisa neziso rakasara
kunzara.
*Tynash:*zvauri kuona
ndizvozvo ,hazvidi mududziri
izvi.ndakatanga hangu
kunzwiririra vaviri ava
vachikandidzana mashoko
ndipo pandakaona kuti sis ava
vaitova nenhamo shuwa
kuchengera munhu akaita
saTynash shuwa.Ndakaona kuti
ndaipedza nguva yangu ndiri
umu ndokuti nditange kufamba
Tynash ndokuti *what you
heard doesnt mean i dont love
my girlfriend.I love her so much
so dont through yourself at me
thinking that i dont love her
,we argue but i love her*
Me...thy is no need to tell me
that nekuti i have seen it.
Ndakadaro hangu asi ndaiita
kurwadziwa.Ndakati
ndichibuda ndakanzwa vanhu
vainetsana nekuda zvinhu
ndokutanga kufamba
ndichiendako ndokuona ari
Leon neumwe musikana.....

*CHAPTER 18*
_DANAI_

Ndakati ndichipedza kutaura


nasweety wangu
ndokurara.Zuva akatevera
racho ndakaita zvekumutswa
naLeon ndokutanga hedu
kutaura ko tainge tatonyura
murudo.Ndakazoita zvekukata
foni apa ndainge ndisina
kumbomuudza kuti ndakanzi
ndishande mupalace.Ndakati
ndiri pakati pekugadzira
ndokuona munhu akaita
saSallie ,pandakazonyatsotarisa
ndokuona
ariye.Ndokumbundirana
nemufaro asi mufaro wedu
wakaguriswa panzira nevagoni
vazvo.Sallie akabva amhanya
kwake ndokusara
ndichienderera mberi nebasa
rangu asi kahana kairova kuti
ndikasangana naLeon ndaizodii.

Ndakaita zvekubviswa
mundangariro naMia achiita
kupopota.
*Mia:*ndiri kuda kuti uende
kunotsvaira muroom mangu
now.Ndakangotora mutsvairo
ndokuenda asi ndainzwa
kurwadziwa ini hangu
zvekuitwa muranda neumww
munhu ndaisazvida.Ndakati
ndiri pakati pekutsvaia munhu
ndokundituma kunochera
mvura.
Pandakadzoka
ndichimutambidza ndakaita
kudirwa nayo kuface imwe
ichipinda mumhino.
*Mia:*ndakutuma mvura
yemufridge here imbwa
iwe.Ndiri kuda mvura iri kubva
mutape.akadaro achindirova
mbama kana kudzosera
zvaisaita ndakangotanga
kupesanisa makumbo angu
ndokuenda kunochera mvura
iya.
*Mia:*ndinwise tione..apa
ndakarwadziwa hama handidi
kunyepa hangu
,ndakangominwisa.Akati
achipedza ndokundisvipira
mvura yaainwa.
Ndakaita kuita hasha
ndokubuda ndichimusiya
achiseka ,ndipo paunoona kuti
vamwe vanhu vane mademon
shuwa.Ndakati ndichifamba
kudaro ndokusangana naMelly.
*Melly:*hey maid ,i want you
to clean my room okay.
*Me:*dont you not have your
hands huh.
*King:*you are a maid here ,so
do what she want you to
do.She is my daughter in law.
Ndakatoona kuti baba ava
vaitova nedaka neni ndokuti
kuna Melly andiratidze
muroom make.Zvandakasvika
ndichiona zvakandipedza simba
handidi hangu kunyepa kuti
nditi mumba umu maigara
nguruve zvaiita nezvamainge
muri.
*Melly:*whay are you waiting
for hey.am moving in today so
please clean this room.

Handina kuda kumudaira asi


kungoita izvo zvaainge
andituma.Ndakati ndiri pakati
pekutsvaira ndakanzwa mazwi
evanhu vaipopotedzana nekuda
nyaya ndokubuda
ndichinyawaira ndokusvika
ndichionawo Sallie
akadongorera.Zvandakasvika
ndichisangana nazvo
zvakandipedza simba chairo
;ainge ari Leon uyo ainge
akambundira umwe musikana
achichema.Takaita
zvekuvhunduka naSallie tanzwa
munhu aiombera maoko ari
kumashure kwedu izvo zvakaita
Leon avhunduke achiregedza
musikana uya.
*Mia:*mapedza basa here
zvamavakutarisa vanhu vari
kuzvidanania havo.Akadaro
achitorova mambama.
*Leroy:*why did you beat them
Mia,being a Princess doesnt
mean you have to treat other
like they are not human beings.
Leon haana kumbouya
achindibata asi kungobatana
maoko naAshie ,ndakaziva kuti
ndiye chete nemataurirwo
akaitwa naMia,ndokutanga
kufamba vachienda.Ndakaita
kunge ndabaiws pamoyo
chaipo ndokusvika ndichigara
pasi.Leon aimboedza kudii iye
akati haaizombofa akandisiya
chero zvikadaii.Ndakazoita
zvekusemudzwa naSallie
ndokundisimbisa ,pakabva
pasvika vamwe Queen so
ndakabva ndatoziva kuti ava
nduQueen Tia vaitaurwa
naQueen Tasha ,amai vaiva
neface yakagwinya ivavo.
*Queen Tia:*ndiri kuda kuti
muende munodiridza maruva
ese ari panze apo.
Patakati tisimuke Queen Tasha
ndokusvika
*Queen Tasha:*i think pane
vanhu vakamirira basa iroro
kwete ava.
*Queen Tia:* ndini ndati
vadaro so they have to follow
my orders.
Takaita kupusa chaiko kuti toita
zvipi nekuti Queen Tasha vaiti
yainge iri tea time saka taifanira
kumbozorora.
*Queen Tasha:*why are you so
heartless ,what have they done
wrong..Aww i see you are
jealous.vakadaro ndokutanga
kufamba havo vachienda.

Ndakatorana naSallie wangu


ndokuenda kunoita zvainge
zvataurwa naQueen
Tia.Ndakanyatsoona Leon
akagara naAshie akararisa
musoro wake pamakumbo
ake.Ndakata kunzwa hasha ,asi
Sallie akabva auya
achindizevezera munzeve
ndokutora pipe tichidira
maruva tichifamba kuenda
ikoko.Chinangwa changu
kwainge kuri kuvadira vose
,ndakaita kunge ndisiri kuvaona
ndokuvadira mvura vakaita
kukwakuka vachinomira kure.
*Me:*am sorry didnt me to.
*Ashie:*sorry for what,you are
going to pay for this.akatanga
kupopota mwana wevanhu
ndakanyarara hangu apa Leon
aitoseka zvake izvo
zvakandinetsa kuti aisekei ini
ndaitukwa.
*Leon:*Honey she said she is
sorry wani.
Maiwe kuzodaro ndakaita
kunzwa hasha ndokutora pipe
iya ndokutanga kudira Leon
wacho mvura apa misodzi
ichiita kuyerera shuwa
mukomana uyu aingoda
kunditambisa chete.

Ndakapedza kudiridza
ndichingochema chete apa
Leon anga atoenda naAshie
wake.Ndakazoenda kunonwa
tea asi ndaingobaikana
zvakanyanya.Ndakaona Ashie
akuperekedzwa
naLeon.Ndakaita kunzwa
musoro wangu kutenderera
nechiitiko ichi,ndakatanga
kufamba ndichienda kumba asi
hakuna kure kwandakaenda
ndaita zvekudhonzwa kucheuka
kudai ndokuona ari Tynash
ndokubva andimbundira
ndokutanga kuchema.
Ndakaita zvekuvhunduka
kunzwa munhu aiombera
maoko kucheuka kudai
ndokuwana vari King.Iii zuva iri
ndakanyara ,ndakademba kuti
dai pasi paindimedza hapo.Ivo
hapana zvimwe zvavakataua
ndokutanga kufamba vachienda
havo.
Pandakati ndifambe Tynash
akabva andidhonza pedyo
naye.
*Tynash:*can you do me a
favor.
Ndakangokwanisa kuzungudza
musoro chete nekuti panguva
iyi ndaisamboda zvekutaura asi
kuda kunochema ndiri
ndega.Panguva yaakati ataure
Mia akabva asvika ndokusvika
achibata ruoko rwaTynash
vachienda havo.Ndakangosvika
nekuzviwisira pamubhedha
ndokurara.Ndakazoita
zvekumutswa natete vauya
,ndokuvanyeperera kuti
ndairwara ndokudzokera
kunorara.Ndakazoita
zvekuvhundutswa nefoni yangu
iyo yakapinda message *lets us
meet at our usually place.We
need to take*Ndakati
ndichipedza kuverenga
message iyi ndokudzima foni
nekuti Leon ainge andibaya
nerakagomarara chairo uye
ndaisada kumuona nekuti
ndaitoziva kuti ndikamuona
hasha dzese dzobva
dzapera.Pasina nguva
ndakanzwa tete vakutaura
namaid ,ndakabva ndamhanya
kuzvifukidza musoro
ndokutanga kuridza ngonono
zvekuti kana tete vakatya
kundimutsa.Ndakazongobatirw
a nehope ndakadaro ndokuita
zvekuvhunduka ndabatwa
nemaoko aiiya
kutonhora,kusimudza musoro
kudai ndokuona ari Leon apa
hembe dzaainge akapfeka
ndidzo dzakaita ndiite kuoma
nekuseka.
*Leon:*how are you my
princess.ndakaita kunzwa
hasha vana Princess vake
vainge vari vangani.
*Me:*ndokumbirawo mubude
muno bhudhi.hapana
zvekutaura apa ,zvandanzwa
uye kuona
ndizvozvo.Ndozviziva kuti pano
pamba penyu asi hazvireve kuti
kana tichitambura mobva
matiita zvituta zvenyu.
Leon haana kuita nharo
ndokusimuka achibuda asi
airatidza kurwadziwa
zvakanyanya.Ndakasara
ndikachema ndikazvirega
,kucheudza maziso ainge akaita
kutsvuka uye kuzvimba asi
ndaifanira kuenda kubasa
zvakadaro.
Ndakati ndava kubuda tete
ndokundideedza sezvo vainge
vaona kuti pane chiri kuitika
pandiri,ndakangovaudza zvose
zvainge zvaitika zvekuti
vakashaya
neremuromo.Pandakati
ndibude tiende muPalace foni
yatete yakabva yapinda
message iyo yaibva kuna dady
ichiti *Tete kuno hakuna
kumira mushe ,kana zvichiita
Danai ndaadzoke nhasi
chaiye.Amai vake vangomuka
vachiti gumbo kurwadza chero
kufamba havasi
kugona.*Ndakaona kuti nhamo
yaibve pane imwe shuwa
,ndaienda sei ini ndainge ndiri
pamushando.Tete vakabva vati
vaienda neni kunokumbira King
kuti ndikwanise kuenda asi
moyo wairwadza Ashie naLeon
vaizowana nguva vese.Ndakati
tichisvika ndokupfugama tete
ndokutaura nyaya yedu.

*King:*kana waenda ziva kuti


usadzoke pano chero kuuya
kunoona tete vako.Asi kana
uchida kudzoka pano pedza
week rako uchishanda
pano.Ndakashaya chandainge
ndakatadzira baba ava shuwa
,kutadzawo kunzwisisa kuti
ndawirwa nedambudziko
shuwa.
Pandakati ndidavire Leon
akabva apinda achiratidza kuti
ambochema maziso ake anga
akaita kutsvuka ndokuti *my
King why are you doing this to
me ,you are..*haana kupedza
zvaaida kutaua agamwa naKing
apa Queen Tia vainge
vakatogara havo padivi
,ndakademba kuti dai Queen
Tasha vainge varipo vaikwanisa
kundirevererawo.
*Queen Tia:*Ashie ndiye
musikana wako kwete mai
tumbwa ava,ko mimba yaanayo
uda aite sei.
Mashoko aya akaita kupinda
munzeve dzangu semaungira.
*CHAPTER 19*

_DANAI_
Mashoko aya akauya
semaungira munzeve dzangu
ndakangokwanisa kushama
muromo kana shoko rakabuda
hapana. Ndakaona Leon
akunditarisa achindipa sign
yekunyarara ndakanga
ndangonyarara. Pasina nguva
Queen Tasha vakapinda
vachiona maziso angu
akatsvuka ndokuvhunza tete
chaitora nzvimbo vakaudzwa .
*Queen Tasha*: Sei musinawo
tsitsi nevamwe vanhu imi
atadzei pakuenda kunoona mai
vake varikurwara vakafa asina
kuvaona anozovaonepi .
Zvimwe zvinhu fungai imi
*King*: Ini ndini King pano
ndinotoita zvandada mese muri
pasi pangu ndini ndotonga
*Queen Tasha*: Yes my King i
know that but this is too much
zvamukuitira mwana uyu kunge
ane chakakutadzirai
*King:*Okay ndamunzwira tsitsi
ngaachingoshanda zuva ranhasi
rese ozoenda mangwana
odzoka kana mai vake
vakunzwa zviri nani
*Queen Tasha*: zvitori nani
panekumurambidza zvachose.
Hapana ainge achataura
nemunhu imba yese yainge
yanyarara kuti ziii vanhu
vaterera King naQueen vakuru
vachionesana. Queen Tasha
vakazosiya vangotaura kuti
vaizoda kuti ndivaperekedze
kumashops King havana
kuramba ndokuvati taizoenda
hedu kana ndapedza kucleaner

Ndakaita basa rangu faster


faster ndichitira kuenda
kumafura mhepo zvangu nekuti
zvepamba apa zvainge
zvakangondiomera zvangu.
Ndapedza ndakaenda muroom
maQueen Tasha mavainge vati
ndaizouya kana ndapedza
kutsvaira zvandainge
ndaudzwa.
*Queen
Tasha*:Chandakudaidzira kuno
ndechekuti ndirikuda kuenda
newe unoona vabereki vako
saka enda unogeza
wokurumidza kupedza tiwane
kukasika kufamba. Handina
kukwanisa kudaira nemuromo
ndakangogutsurira musoro
nekuti ndainge ndakunzwa
mufaro wakawedzera uye
ndainge ndaona kuti shuwa
Queen Tasha vainge vane rudo
kuvanhu nyangwe
vaivhiringidzwa nemakava ayo
aizviti King naQueen Tia
vaisambozvitedzera.
Ndakaoneka ndokumhanya
kunogeza ndokuona Queen
vasvika

*Queen Tasha*: Wapedza


ndafunga kuti ndowana usati
wapedza handei tisati
taonekwa zvirikuitika
Takabuda ndokufamba zvedu
toenda .Queen vaimhanyisa
mota ivavo . Pfungwa dzainge
dzisiri pamwe chete zvadzo
ndaiti ndikafunga kurwara
kwamai vangu ndofunga
zvandaiitirwa naLeon moyo
wangu waiita kupisa . Queen
ndivo vaingondisimbisa kuti
ndinamate zvese ndaizokunda
*Queen*: Let me tell you Danai
nothing imposible with God
and you have to know that no
pain no gain. Saka iwewe
ukasanamata kuti ukunde
pakadai unogara uchichema
hupenyu hwako
Ndakanzwa mashoko aya aine
dzidziso hombe
ndokumabatisisa ndakavatenda
nezvavainge vandiudza .
Takusvika kumba Queen
vakamisa mota paside peroad
ndokuti tinamate tisati tasvika
kumba. Vakanondisiya gate
ndokuenda zvavo.

Ndakawana mai vangu vakarara


gumbo rakazvimba vachiti
musoro urikurwadza futi.
Ndakairidza mhere yakavharira
imba yese ndainge ndisina
kufungira kuona zvakadai .
Ndakazonyaradzwa naDexta
*Dexta*:Sis Danai ngatinamatei
pane kuchema kwamukuita uku
kunge munhu afirwa .Ndakaona
zvine pundutso ndokutanga
kunamata . Ndakaita basa rese
pamba ndokupedza . Ndakatora
mugoro wangu ndakuenda
kunochera mvura
ndokusangana naDasy.
Akundiudza kuti anondida
ndakanyasomutarisa zvaive
ndokuona kuti mwana ainge
ane shavi hake iyeye
*Dasy*: Pliz Danai
ndinzwisisewo ndakabva rinhi
ndichikuudza kuti ndokuda
*Me*: Nxaaa enda unopengera
kwawakaroyerwa iwe ndokuda
iwe ndinokuisa pai nezvauri
izvozvi
*Dasy:*Kunge kusada iwe
uchitokwarira mukati dai
ndadanana nedude like me
Ndakaona akufamba achiuya
kwandiri achida kumanikidzira
kundibata ndakangonhonga
madhaka asingazvifungire
ndokumuisa kumeso.

Ndakatanga kufamba
ndichienda kumba
ndichimusiya achiyuwira ari
pasipo.Ndakasvika kumba
musoro wangu wakuita
kurwadza iye Leon wacho kana
kumbotaura neni nhasi apa
munhu oti anondida
ipapa.Ndainzwa kubhowekana
kana kutaura nevanhu handina
kuda pakadai.Ndakati
ndichipedza kusuka
ndokunorara.Ndakatora foni
yangu kwava kuedza kufonera
Leon sezvo ndaiti manheru
anenge akasununguka.Ndakati
ndichifona ndokudairwa neizwi
rechisikana ,handina kuda
kumhanya kutaura
ndokunyarara hangu sezvo
ndakaziva kuti ndi Ashie adaira
apa ndainzwa kurwadziwa
misodzi yainge yava kuyerera
kare.Ndakanzwa Ashie uya
akutaura
Ashie....huny pane munhu ari
kufona akanzi maid kasi mava
kuita zvekutaura
nemakani.Honai
vakutikanganisa nguva yedu.

Leon.....kata my love vanonetsa


ava mamaids acho ,munhu
anenge achida kuti ndimuudze
nguva dzekuuya kunoita basa
kunge asingazive ega nei nxaaa.
Ndakanzwa kuti pano vanhu
vakukisana ndokumhanya
kukata apa misodzi yainge
yakuita kuyerera hope
nekunobata ipapo
ipapo.Ndakaita zvekupeputswa
naDexta izvo zvakandibhowa
nekuti ndaiziva kuti ndikamuka
handizomborare ndakufunga
nhamo yangu.
Dexta.....sis Danai ,mukai
tione.mungabva marara nguva
dzino here.Ndibatsireiwo
homework yangu.
Ndakaita kunzwa hasha
ndichimupushira kure neni iye
kana kuchema asi kuseka zvake.

Dexta...kkkk mungatoita stress


yemunhu ari kutofara hake
uko.Asi sis kutaura chokwadi
zvimwe zvinhu hazvidi kudaro.I
want you to call that guy
now,he will explain everything
to you.Dont quickly judge okay.
Me...unoziveiko iwe ,ndati buda
muno wanzwa.
Akatanga hake kuseka mwana
wevanhu izvo zvakaita hasha
dzangu dziwedzere
ndokusimuka asi iye akabva
abuda achimhanya
Dexta...do as l say Danai
please.Call him now or switch
on your phone.He is trying to
call you.

Ndakasara ndokutanga hangu


kufunga zvese zvaiitika
muhupenyu wangu nenyaya
yerudo iyi apa kunze kwainge
kuchiri kwakasvika ndaitoti dai
kwachiedza
zvaita.Ndakazorovera moyo
kudombo ndokubatidza foni
yangu mamessage nema
missed call alert ndokupinda
kutarisa time kudai nguva
dzaitaurwa naDexta ndidzo
dzaifonawo Leon.Ndakatanga
kuverenga mamessage aya
*Please switch on your
phone ,we need to
talk.*Ndakatoridza hangu
tsamwa munhu noda kutaura
kutii neni.

Pandakati ndidzime foni imwe


yakabva yapinda futi *please
Danai ,didnt mean to hurt you
please.Bare in mind that all
what im doing is for the sake
our love*Ndakaita kunzwa
hasha sake of our love kudii
kwacho iye achindirwadzisa
pamusoro pazvo Ashie wacho
atonaye manheru uye
zvemimba
zvandakanzwa.Ndakaita
zvekuvhunduka ndakumutswa
kutarisa kudai ndokuona vari
dady apa ndainge ndarara
ndakaisa foni pachipfuva nekuti
ndakangoita zvekubatwa
nehope.Vakabva vamhanya
kutora foni iya kwave
kuibatika ,ndaingonamata kuti
isafonwe chete.Ndakaona
Dexta akupinda ndokusvika
achitora foni iya mumaoko
adady ndokutanga kubuda
achienda.

Dady...inga bamukuru vako


vanokuda kukutengera foni
yakanaka kudaro asi
usazoisashandise zvisina
basa.vakadaro ndokubuda
Dexta achipinda achiita kuseka.

Dexta....i save you today ,so


please pay me.Leon afona
ndataura naye akadaro
achimbitambidza foni message
ichipindawo *Nhasi tsano
vangu vandibatsira ,ndina
kumboziva kuti dady vari
padhuze.How was your night
my Princess,miss you so
much*.Ndakangoona ndava
kusekerera ndega kunyangwe
Leon aiita izvi ndainzwa
kumuda akadaro.

Ndakabva ndamuka
ndokutanga kugadzirira kuenda
kuchechi sezvo dady vainge vati
pane muporofita wawakanzwa
aikwanisa kuti batsira.Takaita
lucky ndokusvika kusina vanhu
izvo zvakaita ndifare nekuti ini
zvekuenda ndaisada asi
wekuambira ndipo painge
pasina.

Madzibaba...baba ndakuona
muri kugate uko dambudziko
renyu.Ndichakubatsirai pano
uye moenda kunoona
madzibaba avo futi vokubatsirai
futi.Kurwara kuri kuita
mudzimai wekwenyu ,pane
munhu ari kusimudza mhepo iyi
asi munhu wacho ari kusimudza
mhepo ndaona akapfeka crown
mumusoro.Amai hamuna
munhu wamaishamwaridzana
naye here muchiri kugara
kuMurambwa.
Mama...pane shamwari yangu
yandakasiya ikoko asi
ndakazonzwawo kuti
akaroorwa naKing sezvo ini
ndakabva ikoko tisiri
kunzwanana.

Madzibaba...zvakanaka ndaona
mukadzi iyeye ariye ari
kusimudza mhepo sezvo
mukamboita makakatanwa asi
ndati munogeza munamato uyu
ucharota hope mukadzi iyeye
achakuudza zviri kupa
akusumudzirei
mhepo.ndatenda hangu.

Madzibaba vechitwo vaya


vakabva vasvika ndokutanga
kuyeresa mama ,vakati
vachipedza ndokunditarisa
neziso raireva zvakawana.

Madzibaba 2...amai
ndaratidzwa pane muranda
komana wamuri kufambidzana
naye.Asi mukomana uyu pane
zvaari kuda kwamuri chete
rudo chairwo handisi
kuriona.Makatadza chinhu one
nekuita hupombwe
naye..vakadaro
vakandinhongedza.

Ndakangokwanisa kubata
muromo apa dady ziso ranga
aita kutsvuka..

End of chapter 19
*CHAPTER 20*

_SALLIE_

Ndakazoita zvekuvhunduka
pasvika Danai,ndakamboda kuti
Danai asaone izvi nekuti
ndaiziva kuti zvaimuradzwa
sezvo ndaiziva kuti anoda Leon
zvakanyanya.Akaratidza
kurwadziwa paakavaona
,ndokusvika Queen Tia vaya
vandainge ndamboona.Amai
ava vaiita kunge vakapanda
chiromo chaicho,ndokutanga
kungopopota zvisina
basa.Ndokuti tienda
kunodiridza maruva asi Queen
Tasha vakamboramba kusvika
taenda.Takaronga zano
rekunodira Leon naAshie avo
vatainge taona
vachiyemedzana.Panguva
yandakati nditevere Danai
,Tynash ndakamuona akamira
akandiyeva .Ndakaita kushaya
simba rekufamba chairo.

Akabva andideedza
ndokuenda,asi hana yangu
yaiita kurova chaiko.Ini Tynash
ndaimuda kuzoti pandaifunga
his kisses and touch ndaibva
ndaita go crazy
chaiyo.Pandakasvika
ndokunzwa mwana wevanhu
achinzwa song yaJustin bieber
and Chris Brown yekuti
Somebody to love.
Akabva aita kundibhonza
padhuze naye ,zuva iri handina
kuda kukurirwa nemafeeling
ndokumusairira kwakadaro
ndokutanga kufamba
ndichipinda mupalace.Ndakati
ndichipinda muPalace
ndokusangana naMelly ,ndokuti
aida kuti ndimuperekedze
kunotenga zvaaida.Handina
kuda kuramba ndokutanga
kufamba tichibuda asi tava
panze ndokusangana naTynash
*Tynash:*Sallie i need you to
clean my room like now.
*Melly:*but bae ,haana
kupedza zvaaida kutaura
agamwa naTynash.Ndipo
pandakaona kuti Tynash aida
kukudzwa akomana.
*Melly:*okay im sorry my
love,,didnt mean to offend
you.she replied bowing down.
Tynash akabva atanga kufamba
ndokuenda kunokisa Melly
ndakatarisa ndakatoona kuti
uku kuda kundirwadzisa hakuna
zvimwe.Ndakatanga kufamba
ndichienda kuroom kwake
ndokutanga hangu
kutsvaira,pasina nguva munhu
ainge apinda ndokusvika
achigara.Ndakatoshaya kuti
aida nditsvaire sei netuuniform
twedu iye munhu akagara
ndakaita kunzwa tsitsi asi
hapana zvandaikwanisa
kuita.Ndakangoti tichipedza
kunamata ndokunorara
ndokutanga kurota
ndakawanda ndichiona Sallie
naDasy vari panzvimbo
patakamboona Queen Tia
nezvichembere riya asi panguva
iyi vainge vakawanda pana
Melly,Ashie naTania.
Queen Tia....Danai dai uri
umwe wabva hako ipapo
wakanganwa kuti wainge
wakuda kufira yekuda
kuonesesa uye haunzwe
ndakakuudza kudhara siyana
naLeon dai ndisina kana basa
nevabereki vako.
Ndakaita kuvhunduka
ndichiona kuti pano ndaonekwa
ndakangozvishingisa
ndokudaira.

Me.....I love that Prince so


much saka hapana
zvamunondiudza.
Queen Tia.....hahahah dai uri
umwe wabva hako nekuti
ndinokuita kanyama kanyama
wagara hako usina faith
yakasimba kutenda kwako
kuchiri kushoma.

Sallie....Danai please go and ask


Dexta to help us please.
Akabva arowa mbama
naMelly.ndokutora glass achiisa
pamberi apa ini ndainge
ndakuita
kubvunda.Ndakashamisika
kuona pachibuda Tynash atori
hake mumachira akarara
nemamaids maviri ndakanzwa
Sallie akuita kuridza mhere.

Sallie.....noooooo you have


gone to far ,,im going to
destory you all..Nooooo Tynash
Ashie....hahaha unoitei iwe
takakukunda kare do you still
remember zvaita uuye pano
kutyora mhiko yenyu ahahaha
wakatokanya wega hapana
zvauchaita.

Dasy....dont mind them Sallie


you can fight them vari kuda
kukudzikisira faith yako chete
.haana kupedza zvaaida
kutaura aita kurowa mbama
achinowira pamoto ndokutanga
kuchema ari ipapo vana Ashie
vachitoseka zvake.

Sallie......goooo Danai.
Tania.....hahaha Look at your
father..
Ndakatarisa paglass riya
ndokuona vakarara pasi
vachiita kubuda ropa mumhino
mama vakarara padivi
vachiratidza kuti
havachafeme.Ndakaita
kubatwa neshungu ndokutanga
kuchema kukanganwa kuti ndiri
kupa satan mukana ndakatanga
kunzwa maungira Sallie achiti
_NO!!!DO CRY DANAI PLEASE!!
_
Ndakaita kuvhunduka
ndabatwa ruoko kucheuka
kudai ndokuona ari Sean apa
aiita kutyisa kutarisa
nezvaainge akaita face
pandakati nditize akabva
andibata ndokundivisira
pasi.Panguva iyi ndakabva
ndatanga kurangarira mashoko
aDexta ndipo pandakaona kuti
ndaitambisa mukana ndichiita
nharo uye kumboita
ndichidzikira pakunamata.

Sean......hahaha i want you to


be my Princess haha.The only
way for you to be my Princess i
have to break your virginity.
Tania.....my Prince ,,,just do it
know because his brother is
asleep now.

Ndakaona Sean akubvisa


hembe dzake dzese kana
kumbonyara Tania naAshie
ndokumhanya kuuya kunoda
kundibvisa hembe asi Ashie
akabva aita kusaidzirwa
kwakadaro naSean zvehasha
zviya.

Sean...what are you


doing?..indava une dzungu
iwewe ,kudzikama
kwakanaka.Une nhumbu and i
told you not to touch Sallie or
Danai all our plans will be
ruined.
Ashie....im sorry my Prince.

Sean haana kumudaira


ndokutanga kufamba achiuya
pandiri ndakangotanga kufunga
mashoko aDexta ekuti there is
power in the name of
Jesus.Ndakazongonzwa ndakuti
_LORD HELP ME._Ndakaita
kuvhunduka ndokuona ndiri
muroom mangu ndakaita
kutota ,ndakanzwa munhu
aifamba kuuya kuroom kwangu
achiratidza kuti ari kumhanya
ndokuona ari Dexta.

Dexta....Sallie is in great danger


lets pray now please tikaita
zvekutamba anokundwa.
Ndakangobuda mumablankets
ndichienda kuroom kwairara
vabereki vedu kuti tinamate
pamwe chete.Patakada kuti
tinamate dady vakabva
vadonha ndokutanga kugwina
gwina
End of chapter 45

Ndainge ndakangovhura hangu


nzeve ndichinzwa vaviri ava
vachiitisana nharo asi
chakandishamisa hana yangu
yaisamborova kana.Ndakaona
Dasy achiita kuita hasha asi
wekuitira ndipo painge pasina
nekuti tainge takasungwa
mbira dzakondo chaidzo.

Dasy.....you're going to pay for


this.

Tania...hahaha kunge wabva


pano uri mupenyu
hako.Chitotaura neni
kekupedzisira nekuti
hauzombofa wakandiona
zvakare.

Melly...my Queen ndatiite this


guy kachidhoma kedu, kazombi
kedu ,chituta chedu.Hama
dzake.dzinoti akafa asi asina
kwatiri achigara pano naThe
Queen anenge achiita murume
wedu tese patadira tichirara
naye.Look he is soo handsome,,
Ndakanzwa vanhu vese vakuita
kuseka kana chaisetsa
ndakachishaya.
Queen Tia.....hahhaha Dasy you
know what waiti iskiri rekudiwa
nevasikana uchirara navo
usingazive kuti ndipo pataiwana
masimba ipapo seumwe wako
Tynash.hahaha waizviti ndiri
hombarume muvhimi mukuru
wevakadzi usingazive uri
kutishandira hahaha. Panguva
iyi ndakaona Dasy akuita
kuyeredza musodzi
hawaizomboziva kuti ndiye
Dasy weSwagga . Ndakamusiya
akadaro ndokutanga kunamata
mumoyo mangu handina
munhu wandaitaura naye
kunze kwaMwari wangu.
Ndiripakati pekunamata
ndakazongoerekana ndarohwa
mbama yakaita ndinzwe
musoro kutenderera kana
akandirova handina kuziva

Ashie....... Apa uri kutowedzera


kudira pariffin mumoto
urikubvira akakudza kuti
unongonamata zvisina order
ndiani manje uchatozvifira
izvozvo
Ndipo pandakazoziva kuti Ashie
ndiye ainge andirova handina
kukwanisa kumudaira
ndokuenderera mberi
neminamato yangu. Pasina
nguva ndakaona Doc vaya
vairapa Danai vasvika hana
yangu yakaita kurova chaiko
Sean......hahaha ndini uya uya
wawakambomedzera mate
wandiona saka nhasi ndauya
pedza shungu dzako. Nhasi
ndotoda kurara newe kusvika
ndakunzwa kuti
ndaneta.Ndokuti
usangomedzerere vanhu vese
vese mate

Queen Tia........ Izvozvo


hazvitwe pano tichaenda navo
kunzvimbo kwedu kwatichano
vashanda zvekwamberi chaizvo

Ndakangokwanisa kuvhura
maziso ndokunzwa moyo
wangu kurwadza
ndakangokumbira kuti Mwari
vandiburitsewo mukanwa
meshumba mandaive.
Sean.....manje i want to do it
here..Im the Prince,,hapana
anondiudza zvekuita.

THE QUEEN....Sean nzwisisa


iwewe uri munhu akaita sei.
Sean....my Queen i want to do
it here okay..hapana
anondirambidza.

Ashie....iwe ndinozviziva uri


Prince wepano asi kana zvanzi
hazvidiwe nzwisisa.
Queen Tia.... Inzwawo
zvaurikuudzwa nevamwe hona
ndiwe wega urikuda kupikisa
zvikutaurwa nevanhu vese
shuwa.

Melly....let him be ko zvine basa


rei izvozvo.
Ndakaita kunzwa kufara
pandakaona vanhu vamwe
chete vachiitisana nharo asi
Tania ndiye ega akangokwanisa
kuramba akanyarara.Ndakaita
zvekuvhunduka kunzwa Dasy
achindibata apa kunze kwanga
kwaita kusviba zvekuti ndainge
ndava kusaona zviri
kuitika.Akatanga kutaura
nekazevezeve.
Dasy...Tsunhura tambo iri
mumaoko angu vachinetsana
kudai.

Ndakatanga kukikiridza kubvisa


tambo asi zvakatora nguva kuti
ndimubvise.Apa vanhu vaya
vaingonetsana chete vakamira
pamwe kukanganwa kuti
vakatisunga.Ndakazoona Sean
akuroca Ashie chibhakira
mudumbu ropa ndokutanga
kuyerera vese vakabva
vamhanya painge pakarara
Ashie ropa raita kuzara pasi.

Queen Tia...see what you have


done,,,pano hapafanire
kudeurwa ropa remwana
mucheche like zvawaita
izvi.What are we going to do.
THE QUEEN...mimba yake
yakura iyi the best way kutoti
azvare mwana wacho pano.

Ndakaona Dasy akundipa sign


yekuti titize hatina kutambisa
nguva ndokutanga kukambaira
hatina kukurumbidza kuonekwa
sezvo vese vainge vakatarisa
painge pakarara Ashie.Takati
tati kambairei ndokusimuka
tichimhanya ndipo patakanzwa
izwi raiti *Eish vatiza
,,ndativatsvage*

Takapinda munerimwe zichuru


rainge riripaside peroad
ndakabva ndabvisa t-shirt
yandainge ndakapfeka nekuti
yaive yewhite. Pasina nguva
ndakanzwa Melly akutaura ari
padhuze nepatainge tiri
Melly..... Ndambokudzai kuti
havana kushandisa nzira inoyi
dai vauya nekuno tavabata
vasina kure kwavaenda

Queen Tia...... Ngatimhanye


tinovatsvaga kune road yatauya
nayo ndokwavatoenda nako
hakuna kumwe
Takanzwa vanhu vakuita
kumhanya kudzokera
kwavainge vabva nako . Moyo
wangu wakafara chaiko nekuti
tainge takunda muedzo .
Ndainge ndakutonhorwa
ndakaita kuvhunduka kunzwa
Dasy andimbundira .
Dasy....uri kutonhorwa
Sallie,,,let me embrace you
okay..

Ndakangokwanisa kudzungudza
musoro asi ndaisada hangu
nekuti panguva iyi hameno
zvandakanzwa munongozivawo
munhu akakubvisa
humbandara marambana haasi
wekujairirana naye
stereki.Ndakazobatwa nehope
ndakutodzirwe asi kafeeling
kandainzwa hakana
kupera.Ndakaita
zvekuvhunduka ndichifambwa
nechinhu ndokuvira pasi Dasy
achiuya pamusoro pangu
ndokuda kuridza mhere Dasy
ndokuuya
achindikisa,pandakada kuti
ndimubvise pandiri ndakanzwa
munhu aitaura ari Tania.
Tania....ndanzwa kunge pane
munhu aridza mhere apa.

Melly....pamwe waita manzwira


nzwira,,,ndatidzokere tione
kutii todii nhaiye Ashie azvara
mwana akaremara uyu.Uku
ndiko kurangwa nedenga uku.
Tania.....zvimwe zvinhu
ndezvekunyarara wangu..Ashie
ainyanya kutyora mhiko pese
pese aah zvamuwana.Zvino
King vangabvume kuti mwana
wavo iyeye akaremera
makumbo ese kudaro.
Pandakanzwa kuti vaenda
ndakangokwanisa kusaidzira
Dasy kure ndokusimuka kuti
ndifambe asi akabva
andidhonza ndichinovira
pamakumbo pake.

Dasy...please Sallie handina


kuita izvi ndichida asi wanga
wakadzimbirira maoko angu
saka ndaona kuti muromo
ndiwo uri padhuze.Sorry hako.

Me...okay usazviite futi


okay..handina kuzvifarira hangu
zvawaita apa.

Dasy....its okay...ndazvinzwa.
Sallie...ndatinamate tione
nekuti tiri kufanira kurwisa
vanhu ava.

Takatanga kunamata asi


tainamata
nechemumoyo.Ndakazongonz
wa mvura yakunaya apa taiva
panze zvekuti ndakatanga
kudedera nechando chese
chainge chaita kuzara mumuviri
zvekuti ndainge ndakutyira
mwana wangu.Dasy
akamboedza kundimbundira asi
zvakashaya basa nekuti iye
atotonhorwawo.Mvura
yakanaya iyoyo zvekuti
ndakademba kufa hangu apa
nzara yainge yakuita kubvunza
mutupo.

Dasy....kunze kwakuchena uku


Sallie ndatifambe kusati
kwanyanya kuchena.
Ndakatadza kumudaira
nechando pandakada kusimuka
ndakatadza kusvika iye
azvisimbisa semurume
ndokundisumudza.Takati
tasvika kuroad ndakaita
kuvhunduka kuona mota
yekupalace ichimira ndokuona
ari Tynash.
Tynash....ayas vamwe mutone
shave chairo rechihure..Muri
kubvepi mese makashama
mashaya mari yekuenda
kulodge here kana kuti dai
mauya ndakupai room pane
kuitira musango.Apa vamwe
vari busy kutsvaga ivo vari
musango havo.
Dasy...its not what you
think..please help us tisati
tabatwa.

Tynash....kkkkk hahah muri


kutotiza vanhu vakuonai
muchiita your deeds
musango..ndavauye vakurovei
apa mvura yese yakushandai
size inokwana hahaha ndiyo
mame mame iyo.
Ndakazvishingisa kutaura asi
simba ndainge ndisina uye
ndaiita kunzwa mweya wangu
kupera mbichana mbichana.

Sallie...Tynash please help


us..zvese izvi zviri kuita ndiri
kuzviitira nekuti ndokuda.
Dasy...Please help us ari kuda
help nekukasika uyu .

Ndakaona Tynash akusimudza


mota yake achienda zvekuti
ndakaita kunzwa kurwadziwa
kusvika ndakutanga kuona
zvinhu kaviri kavira kusvika
ndati ziii.
End of chapter 46

*CHAPTER 47*

_DANAI_

Patakada kuti tinamate dady


vakabva vadonha pandakada
kuti ndiridze mhere ndakabva
ndarangarira hope dzandainge
ndabva kurota ndichiudzwa kuti
kutenda kwangu
kushoma.Ndakabva ndatarisa
Dexta ndokuona akaita kupinda
ziso apa mama vainge
vangogaa pasi zvino vakabata
murume wavo kana
kumbovhunduka havo.
Mama....Devil you're a liar
,,handichavhunduoa
zvekumhanya..No weapin
fashioned against us shall
prosper.

Dexta.....if we pray we will


disturb the proceedings of the
devil and he will troubles
us.Mind the devil doesnt quit
easily because if we are weak
in prayer his gain everyday
excel.Lets pray now.

Takatanga kunamata kana


zvandainamata zvacho
ndakashaya kuti zvainge
zvabvepi ndaingonamata ndiri
pawheelchair pangu ipapo
ndipo pandakaona kuti Dexta
ainge atova pane chimwe
chinano mwana wamai
vangu.Ndakatadza kunzwa
dady vakukosora mama
ndokumhanya kunotora mvura
ndokuvapa apa Dexta haana
kurega kunamata aingonamata
chete.

Dady...chii chiri kuitika


panapa?.ko ndakatota nei
nhai?
Vakashaya akavadaira panguva
iyi nekuti musi wese ainamata
apa ivo vainge vakusamboita
kunge munhu anga akufa
ndokutotanga havo kunamata.

Dexta...hapana aru kuenda


kunorara tiro kuda kuparadza
Kingdom yasatan nhasi nekuti
devil gains if we dont dulldoze
in prayer.That's why Peter and
Silas left him to think that he us
gaining when the girl called for
some days.Peter never grieved
and rebuked the devil in the
girl.

Mama...All the challenges we


are facing today its because we
are caring gold.
Ndakatoona kuti everyone was
in spiritual realm.Ndakatoona
kuti that's why we say back to
sender�� that is our Lord Jesus
ndosimba redu and we have to
Let God help us to carry gold
everyday iro rainge rataurwa
namama kuti we are caring gold
and stand firm in prayer and
stand our ground and rebukes
devil asatijairira nekuti tiri
vanhu vaMwari.Ndakaita
zvekuvhunduka Dexta achiuya
pandainge ndiri

Dexta...dont worry sister,,,,muri


kufamba soon iye munhu akati
musafambe ndiye acharemera
tichaita go back to sender
chaiyo.
Ndakangokwanisa
kukugutsurira musoro
ndokuenda kunorara sezvo
Dexta ainge ati tichirara
hedu.Ndakaita zvekumutswa
naDexta achiti Leon ainge auya
ari panze..Handina kutambisa
nguva ndokuenda paakandiona
akaratidza kufara zvakanyanya.
Leon...morning my love,,,King
vanane manje.Ndafara
wangu ,,time yekuti
ndichikuroore yakwana and i
have faith yekuti mama
vanomuka nhasi chaiye.Mwari
vanzwa kuchema kwangu.
Handina kukwanisa kudaira
ndokungoita simairi yaisvika
kugotsi chaiyo . Ndainge
ndakusambotarisira kuti
ndichawanawo achandiroora
nekuremara kwandainge ndaita
asi Leon ndiye akakwanisa
kumira neni zvakaoma
kudaro.Leon akabva aoneka
sezvo aida kugara padhuze
nababa vake.Paakati apinde
kumota Dexta akabva asvika.

Dexta....only a day left


usakundwe nerima..Ukapotsa
apa ziva kuti Queen Tasha vari
panguva yakaoma..

Leon...will try by all means and


by the help of the Lord
ndinokunda.

Dexta...Mwari vanobatsira
anozvibatsirawo saka gwarira
hako..
Leon...okay thanks so
much..Dai pasina iwe ndiri
kungochema nhanhasi.You're a
helper sent from God.

Dexta...Glory be unto
God...Journey mercies.
Leon akabva apinda mumota
ndokuenda ,Dexta ndokusara
akaita kunditarisa zvekuti
ndakatoona ndega pane zvaari
kuda
kutaura.Ndakangorambawo
ndakamutarisa ndichimirira
ataure nyaya yake.
Dexta... usangofare kuti
wakuda kuroorwa..You have to
pray so hard my sister..

Ndakangogutsurira musoro
nekuti ndainge ndine mufaro
wakapetwa chaiwo ndakabva
ndananga kuroom kwangu
ndokunonamata ndichiti Amen
ndakanzwawo izwi raiti amen
ndakatarisa ndokuona
ariDexta.Ndakabuda
ndakuenda kuno dziya
mushana ndokuzoona Kelly
achiuya pamba pedu

Kelly..... Hes Danai ndoziva


zvakushamisa kuuya kwangu
pano nguva dzino . I need your
help

Me.... Hes Kelly ukuda help yei


Kelly... Ndakarota Dasy
akasungwa netambo ari pane
imwe nzvimbo isina kumira
mushe saka
ndandichikumbirawo kunamata
kuitira kuti achengetedzwe
nedenga kwese kwaari
nyangwe akange ari panguva
yakaoma
zvakaitasey.Kunyangwe asisade
kundiona ndinoda Mwari
vamuchengete.
Dexta.....wakarota hope
idzodzo rinhi nhai Kelly...kana
Mwari vakuratidza chinhu
chibva watoita action nguva
yacho iyoyo nekuti munhu
iyeye akasangana nezvakashata
ivo Mwari vakakuratidza kuti
umubatsire ndiwe unotora
mhosva.
Kelly...sorry ndakangozviitira
nhungo uye ndainge ndabatwa
nechiramwa ndafunga zvose
zvaakandiitira.Ndakarota
marimwe zuro hope dzacho.

Dexta....ko ndikakuudza kuti


Dasy akatorwa nana Tania
now..unotii nazvo iwewe
wakanonoka kumubatsira
,,hazvina kunzi enda unotaura
naye asi kushandisa mabvi ako
uri kumba kwenyu
chete.Handifunge paida mari
yebus apa kuti unamate
mumba menyu.

Kelly....Ooh my God,,those
people are very
dangerous..Nhai Mwari.
Dexta...Kelly mwanangu
wakatendeuka hako asi
nechiporofita hauna
kutendeuka neshoko raMwari
iyo yatinoti foundation.Do you
know ukakuvada ukasonewa
ronda risina kuwana treatment
yakakwana rinopora
repamusoro chete.Wakaenda
kuchechi nechiporofita shoko
chairo hauna
mwanangu,,harina kumbopinda
mauri.Foundation hauna
kuvaka,wakangotanga
mudhuri .Ndoda unovaka
kutangira pafoundation
hazvinei nepawanga uri enda
unovaka foundation first nekuti
mhepo ikauya unodhirika like
zvawawa kuita now uye hauna
kumbosiyana naDanai
wawakatarisana naye uyu.
Ndakangotarisana naKelly
ndokutarisa pasi sezvo ndainge
ndatoona kuti apa hatisi
kutaura naDexta watajaira asi
ainge ane zvitori paari mweya
mutsvene chaiwo nekuti
munhu waaiti mwanangu
wacho ayas.

Kelly.....okay Dexta waita basa


ndichatanga kuvaka foundation
kuburikidz neshoko nekuti
zvinhu zvese zvinobatirana
prayer time and word zvese
zvinofambidzana
ipapo.Handichada kufarira
kuturikwa ruoko pamusoro
ndisinganamatiwo delivarance
haidi pamunhu aka relax.Thank
you im going to build it
delivarance,,breakthrough,,mar
ii zvinoita mutserendende.
Kelly haana kuzotora nguva
ndokuoneka.Akati achibva Sean
ndokusvika zvekuti hana yangu
yakaita kurova apa Dexta ainge
apinda mumba.Akatosvika
achiita kusekerera asi ini
handina kana kumbobuditsa
kana vende rangu.Akangosvika
nekuuya kuseri kwangu kuda
kupush wheelchair.
Sean...miss you my love,,lets
take a walk please.I have a
surprise for you,hope you're
going to like it.

Haana kumbondipa nguva


yekutaura ainge akutondipusha
kudhara zvekuti ndakanzwa
ndega kuti uku kwandiri
kuendwa nako hakuna kumira
mushe.Ndokutanga kunamata
sezvo ndainge ndakuzivawo
kuti if i pray without ceasing
zvangu zvinoita Mwari
nondirwira uye ndakabva
ndafunga mashoko andaigaro
unzwa naDexta kuti _God will
not allow us to be tempted
beyond what we can bear but
with every temptation He will
also provide the way out,the
escape_.Ndakaita kuvhunduka
kunzwa Sean akuita kuseka
zvakaita kuvharira nzeve
dzangu asi hakuna kure
kwaakaenda ndanzwa izwi
raDexta zvekuti ndakanzwa
mufaro mandiri.

Dexta....kkkk no weapon
fashioned against her eill
prosper,we are coverd by the
Blood of the Lamp.We are
untouchabke and
unshakable.we are Godly
protected.

Sean akaita kundidhonza


zvehasha achindivisira pasi
zvekuti makumbo angu akaita
kurira zvekuti pain
yandakanzwa ipapo was
unbearable ndakatadza
kuzvidzora ndokutanga kuridza
mhere.Ndiri pakati pekuridza
mhere foni yangu yakabva
yapinda message,kutarisa kudai
ndokuona riri video raLeon
akarara namaid.

Dexta....shit Lord have


mercy.....any girl who sleep
with the Prince in the Palace
which is still a virgin will be his
wife
End of chapter 47.

*CHAPTER 48*

_SALLIE_
Ndakapepuka ndokuona ndiri
muroom maTynash iye akagara
padivi pangu achiratidza
kushushikana.Handina kuda
kuita kuti aone ndamuka
ndokumusiya
akadaro.Ndakaona munhu
akutarisa kwandiri
ndokumhanya kuvhara
maziso.Ndakanzwa ndabatwa
ruoko ,zvekuti ndakanzwa ropa
rangu kumhanya mhanya ko
ndainge
ndamusuwawozve.Pasina
nguva ndakanzwa muromo
waTynash wava pane wangu
zvekuti ndakambofunga
kudairira kiss yake ndokuzoona
kuti ndinenge ndamhanya uye
kuapplyer kutukwa hangu.
Tynash.....i dont usually have
these jealousy rages but i failed
to control myself when i saw
you with Dasy.Im sorry i
behaved like a kid.

Akadaro ndokunyarara hake


mwana wevanhu apa ndainge
ndava kusagona nesetswa
ndaingokwarira
mukati.Ndakanzwa
akusimudzira futi.
Tynash....please wake up dont
leave me alone okay..l love you
so much but when i think that
you were raped eish it will hurt
me so much to an extend that i
cant even control myself.Bad
party of it ,,i dont know who is
the father of the unborn
baby.Just hope you are carrying
my baby,,i cant live without you
Sallie.

Haana kukwanisa kupedza


mashoko aya ndokubuda
achienda zvekuti ndakanzwa
kuti munhu ari kuchema uyu
kana kuseka kwandaida kuita
kwakabva kwapera ndakuda
kuchemawo.Ndakabva
ndatovhura maziso asi
chakandishamisa ndakaona
mumba mana Dasy uyo ainge
auya ne coffee ndokutanga
kundinwisa asi haana kure
kwaakaenda Tynash asvika
achibvuta coffee iya ichisvika
ichirasika.

Tynash....See what you have


done..regera zvese ndoita
nekuti imhosva yangu yese
iyoyi dai ndisina kuramba
kukutakurai.

Dasy.....its okay but please take


good care of her okay.Dont
stress her too much it will
affect the baby
Tynash...thanks for reminding
me you can leave.

Dasy haana kuita nharo


ndokubuda hake.Ndipo
pandakaona kuti Tynash
aitopenga chete hake.

Me...thanks for caring...how is


the King.
Tynash....the King is fine my
love
Ndakaona munhu amhanya
kubata muromo ndokuti "sorry
mean my friend".Handina
kukwanisa kumudaira
ndokutarisa hangu kuside sezvo
ndaisada aone kuti ndiri
kuseka.Pasina nguva Leon
akabva asvika akataridza kufara
nekundiona ndamuka
ndokundibvunza kuti ndaiva
kupi.Handina kutambisa nguva
ndokumuudza zvese.

Leon...Thank Lord you are


alive..God id great but todii
nhai kuti vanhu ava vabve
pano.
Tynash....hapana way kunze
kwekuti dady vaconfesser his
sins towana way forward nekuti
vanhu ava tofanira kutsvaga
chinoita vabve vega.And one
other thing,i think it now high
time for you to marry Danai..

Leon.....what about Ashie..i


dont love her asi todii naye
asakanganise.
Tynash....hey forget about
Ashie,,,Ashie ane mwana uyu
uye i have some videos of her
having sex with a mad man.

Leon....yeah point ipapo..Do


you still remember what Dexta
told us.
Tynash....yeah yeah ukaona
wasangan nemuedzo now
ukatadza kuunda imwe way
yekuti Queen Tasha vamuke
you have to marry Danai as
soom as possible and she will
be awake day ramunochata.

Ndakatoshamisika kuona
Tynash achitaura zvine musoro
kudaro.Asi havana kupedza
zvavaida kutaura tanzwa
kutaura kwevanhu
ndokudongorera ndokuona vari
Queen Tia neteam yavo.Vana
Tynash vakabva vabuda
ndokusara ndichidongorera
sezvo ndaida kunzwa zvese asi
chakandishamisa Ashie ainge
asipo uye nemwana wavo sezvo
ndaiva kudenga ndaikwanisa
kuona zviri kunze kwegate
ndakaona Ashie achipfeka
hembe dzemamaids
ndokupinda akadaro zvekuti
hapana akamuona.Pakati
papera panguva ndakanzwa
vanhu vakutaura vari munext
room sezvo mainge musina
kuvharwa door rese ndokunzwa
ari Melly naAshie.

Ashie....yeah ndapinda pasina


andiona yemwana hainetse iyi
ndinofamba naye pane
anondibvumza here asi ndiri
kufanira kumuuraya mwana
uyu ndomudii mwana
akaremara.

Melly....that's a good
idea,,,wambozvionawo kuti
Sallie aripano.Lets find another
way yekutii zviite nekuti tiri
kungokundwa.
Ndakaita zvekuvhunduka
ndabatwa pandakasimudza
musoro ndokuona ari
Mia.Akabva ati timbofamba
hedu ,,handina kukwanisa
kuramba ndokubuda asi
chakandishamisa ndakaona
Tynash akagara kuloan
achiverenga bible ndakaita
kunzwa mufaro mandiri nekuti
ainge akukwanisa kurwisawo
mweya yerima uye ainge agona
kutanga agadzira foundation
neshoko kwete kumhanya
kutendeuka asingazive
shoko.Takangotanga kufamba
naMia achindiudza kuti ainge
asuwa Queen
Tasha,,ndakangomudimbisa
kuti vachamuka ndokudzokera
mumba sezvo ndainge ndaneta
uye muviri wainge usati
wanyatsodzimba.Ndakatosvika
nekuenda kunorara naMia.

Pakati pava pakati peusiku


ndokunzwa noise nekusada
kusarira kwang ndakamhanya
ndokuwana zvakandipedza
simba vainge vari Queen Tia
vainge vachiita noise
pandakada kuti ndirambe
ndakatarisa ndokuona
masheets akazara ropa apa
Leon ainge akagara pasi
achichema zvaitonzwisa tsitsi.
Paakandiona ndakamira akabva
auya ndokundibata rwoko
tichienda kuroom kwa King asi
Queen Tia neterm ravo vaiita
kuona nekuseka.NdakaonaLeon
andisiya ruoko achidzokera
kwatainge tabva pasina nguva
ndokuona achidzoka namaid
uya uyo ainge akangotarisa
pasi.

Leon.....Thanks nekundibatsira
kukunda muyedzo uyu.Dont tell
anyone kuti hatina kurara tese
let them be okay.
Maid...okay my Prince imimi
musaitewo zvekuti vaone kuti
ndava tengesa nekuti ndinofira
mahara...

Maid uya akabva adzokera


ndakashaya kuziva kuti
ndomutenda nei nekuti kutaura
chokwadi panyama chaipo Leon
aitadza kukunda this
trap.Takapinda mainge muna
King avo vainge vakarara havo
vakatarisa mudenga.

King.....i miss my wife soo


much..Im.regreting all my
deeds ,dai ndakamunzwisisa
pekutanga zvese izvi zvisipo.

Leon....dont worry dady,,,she


will be fine soon okay.
Leon haana kupedza zvaaida
kutaura foni yake yakurira
ndokudaira ndakazongonzwa
akuti _what!!_ndokundibata
ruoko kana kwandaiendwa
nako manheru iyayo handina
kuziva.Ndakazoona tava
kuenda nenzira yekuchipatara
ndipo pandakazodzikamisa
hana yangu.Takangoti tichisvika
ndokuona achimhanya kuward
maiva naQueen ndokuona
vasimo asi chakandinetsa hana
yangu haina kumborova.

Leon....handei munext ward


ndimo mandanzi vari.

Takati tichipinda ndikuona


Queen Tasha vakatorara havo
vakatarisa.mudenga . Takasvika
ndokuvambundira tese mufaro
wakaita kuuya zvakanyanya
pasina nguva fon yaLeon yaka
ringer ndokumudza kuti
tinamate . Takangoita
sekutaura kwaDexta.Tichipedza
Doc vakabva vapinda ndokuti
taifanira kudzokera kumba
taizodzoka mangwana
kwakachena
Leon...... Lets make a deal Doc
isai mama vangu muroom
musingapindwe nevanhu kunze
kwangu ini nemusikana
wandinaye uyu vamwe vese
hapana wamofanira kupinza

Doc..... Oky my Prince ndichaita


sezvamareva
Ndakaona Leon akuita
kusekerera ndokubatirana
Queen vachinovasiya muroom
mavaifanira kupinda . Takasiya
tanamata ndokudzokera
kumba. Munzira mese wainge
uri mufaro wega wega

Leon.... Thanks Sallie


nekundibatsira paminamato
nyangwe zvairema
wakashingirira now yanguva
yekutora zvese zvatakabirwa
muhupenyu nasatan

Me.... Tototenda Mwari


vakamira nesu tega hatina
zvataizokwanisa kuita dai
tichingochema nazvino

Takasvika kumba ndokuwana


pagate paine benzi rainge
rakaita kumira richidedzera kuti
"ndirikuda mukadzi wangu
nemwana wangu". Patakango
vhura gate rakabva rapinda
mukati ndakaona Ashie akuda
kutiza pakaona benzi riya asi
haana kure kwakaenda abatwa
naTynash

Tynash....eheee sis mauya


kunotorwa nemurume wenyu
endai munotora mwana wenyu
murongedze twenyu muende
tione

Ashie haana kukwanisa


kupindura chinhu ainge
angovhura maziso kunge muroi
aedzerwa. Tynash haana kuita
basa nazvo ndokutuma
maguards kunotora mwana
nezvinhu. Apa mwana wacho
aiita kueredza rute zvinonzwisa
tsitsi.
Queeen Tia...hapana kwaari
kuenda ndiwe ani pano..Ziva
kuti kubva kwake pano King
vanopinda busy.

Tynash...hahaha nyararai henyu


kana muri imi ndimi matosara
kubva pano.
Ndakanzwa mhere Ashie
achivira pasi achiita kukudera
achingochema kuti makumbo
angu kani.

*CHAPTER 49*
_DANAI_

Ndakaita kupererwa chaiko


ndokungovhura ziso
ndichishaya chekutaura
ndakaona kaDexta
kakutondiseka zvakandipa
hasha munhu angaseke ndiri
panguva yakaoma kudai
Dexta..... Danani unofanira
kumira naMwari pazvese
zvaunosangana nazvo

Me..... Watanga kutaura


mashoko ako enyaradzo. Ezvino
ndinonamata always tarisa
maproblems andikusangana
nawo asingapere
Dexta..... Usabvume
kushandiswa naSatan wanga
wamukunda zvakanaka. Ziva
kuti chinhu chese chinoitika
nechinangwa.Kuti unzi mukundi
unofa ira kusangana
nematambudziko.Waona chii
papic iroro vanhu vakangorara
paside nepaside vasina
kusimira chete here iwe
tikwanire hedu isu aah.
Ndakatoona kuti
handichambofanire kupikisana
naDexta ndokutotanga hangu
kuimba sepasina iripo hangu
akandipusha ndokudzokera
neni kumba asi chaindinetsa
aingoti akanditarisa otanga
kunyemwerera
Me..... Nhai Dexta ukunyanya
kunakidzwa nei chikuita
undisekerere kudaro

Dexta..... Ndikufarira kutendeka


kwaMwari vanokudai
zvakanyanya . Nhasi ndozuva
renyu rekupemberera hukuru
hwaMwari
Ndakatadza kuziva zvaaireva
ndokungomusiya akadaro.
Tichisvika ndakaenda muroom
mangu ndakasvika
ndokunamata nehope
dzichibata ipapo .
Ndakazopepuka
ndakumutsirwa kudya naDexta.

Takadya ungori mufaro


semazuva ese . Tapedza Dexta
ndokuti munhu wese tinamate
akauya ndokunamata akabata
makumbo angu

Dexta....... Father we give you


praise. By the reason of the
water and blood that was shed
on the cross in the garden of
Gethsemane... I declare yo
healing in Jesus name
Aripakat pekunamata kudaro
ndakanzwa simba rangu kupera
zvishoma nezvishoma kusvika
ndakusaziva zvaiitika.
Ndakazomuka vanhu vese
vachifara vakanditarisa. Dexta
akabva anditi simuka ufambe .
Ndakasimuka ndokuona
ndadzokera kuita Danai
wakidhara asina kuremara.
Ndakaenda kumbundira mwana
wamai vangu ainge andibatsira
panguva yakaoma. Mama
nadaddy vakabva vauya
kotimbundirawo takurumbidza
Mwari pamwe chete. Tiri pakati
pekufara mMai Sallie vakabva
vasvika. Takatambira nemufaro
mama ndokutomhanya
kunouraya jongwe ,,ndakaona
Dexta achiita kurova simairi
yaiita kusvika kugonzi ko kukara
ndipo paiva pamuzinda..
Tiri pakati pekutaura nyaya
tichiseka takashamisika kuona
Kelly achisvika achiita
kumhanya kunge achatyoka
makumbo.

Kelly....Danai!!,Dasy is
back...come and see him
please.
Dexta....Glory be to God...its
now high time to make things
right between you to
guyz.You're meant to be
together.Let me pray for you
_May everything that has made
you to cry be dissolved in Jesus
name.l speak a fresh start in
the name of Jesus and every
department of your life will be
renovated in Jesus name.Every
ruins will be rebuilt in Jesus
name.May the good Lord
increase you today and
forevermore.Ameen._

Kelly akabva aoneka sezvo


ainge ati asiya Dasy kumba
kwavo.Takati tati fambe
ndokuona Dasy akamira
kumberi kwedu achiratidza kuti
ambochema,,paakaona
takusvika padhuze akabva
apfugama pasi.

Dasy.....i sincerely have to


apologise for what i did,im so
embarrassed for what i did.l
know that a simple apology will
not make up for the damage i
caused with my rude attitude
but i beg of you please forgive
me.l know my reaction was the
worse but would like to ask for
your mighty forgiveness.

Ndakaona Kelly akufamba


kuenda painge pana Dasy
ndokusvika achimusimudza
ndokumbundirana
ndakazongoona
ndakusekererawo.
Kelly...i have forgiven you Dasy
but promise me one thing..We
will never be together im
sorry ,,my sister is carrying your
child sorry.

Dasy....thats sister of yours is so


evil..mimba yacho yaaiti mimba
isingakure here nhai Kelly...l
love you please dont do this to
me please.She use juju for me
to love her..l promise you will
never break your heart again.

Tese takaita kuvhunduka


kunzwa munhu aiombera
maoko kucheuka kudai
ndokuona ari Tania uyo ainge
akatobata hake
muchiuno.Ndakashamisika
kuona Dasy akuita kutarisa pasi
ndokutanga kufamba achienda
kuna Tania ndokusvika
achipfugama izvo zvakaita
ndinzwe kurwadziwa apa Kelly
ainge ava kusagona kumira
nekuchema zvekuti ndakabva
ndatanga kufamba ndokuenda
paaiva ndokumumbundira.

Me...dony cry please uri kupa


satan mukana ,,Mwari vanobva
vatsamwa kuti sei mwana wavo
asina faith yekuti zvoita nezita
raJesu..He needs your help uyu
Dasy..hazvisi zvega handiti
akuudza kuti anokuda uye
akashandisirwa mushonga
here.

Tania.....uri kuitei kuno


wapedza kusuka maplates
nekutsvaira mumba
here..akadaro achiita kupa Dasy
mbama.
Dasy...im sorry mama
Tania..please forgive me my
wife..you know i love you so
much.

Tania....wazvinzwira wegaka
uyu Dasy haakude uyu hahaha
chituta changu
ichi..Akangondiona chete
nopeta muswe hahaha.

Dexta....kkkk my sister yava


nguva yaMwari yekuratidza kuti
variko ,,ooh i love this God
anokusiya Satan woita kunge
wawina ivo vachiziva havo
zvavari kuita..
Tania...makanditadza kudhara
iwe nyarara hako..Dasy unoda
kuenda nani nhai mwanangu.

Dasy...nemi mama Tania kuna


Kelly ndidi ini.

Dexta.....Psalm 46:10 .Be still


and know (recognise
,understand) that i am God.l
will be exalted among the
nations!.l will be exalted in the
earth.

Ndakaona Dexta akufamba


ndokuenda kunobata Dasy
musoro ndokutanga kunamata
kusvika tese tadairira
,ndakaona Tania akuda
kumhanya asi Dexta akabva
asiya Dasy ndokuenda
kunomubata nehudiki wakw
ndakatoshaya kuti simba ainge
ariona kupi mwana wevanhu.

Dexta....im giving you two dayd


only to repent..Ukasadaro
hokoyo ndouyako..
Tania....nxaa umbori aniko
mulife mangu iwe.akadaro
achienda zvake mwana
wevanhu apa Dasy ainge aita
kuti rabada mumavhu imomo
pasina nguva ndakaona munhu
akugwina gwina zvekuti hana
yangu yakamborova
ndokutanga kurudza kana
zvaakarutsa zvacho
ndakatozvishaya kuti
zvaivei.Akati achipedza kurutsa
akaita nguva akarara pasi
ndokuzoita zvekumusimudza
sezvo ainge asisina simba.

Dexta...Kelly wakamborota
uchirara nemunhu here.You
know what Sean is not a human
being,,,inyoka inochinja kuita
munhu..
Kelly...mmm rimwe zuva
ndakamborota ndakarara
neumwe mukomana ainge
akanaka asi pandakamuka
ndakashamisika kuona padivi
pangu pane
nyoka,,chakandishamisisa haina
kundiruma yainge
yakatorara.Pandakati
ndinodeedza mama ndakasvika
pasisina handina kunyanya
kuzviisa mupfungwa
ndakangoti yatiza ikaenda.

Dexta....so sad,,,wakatorara
nenyoka iyoyo ndiyo yakachinja
kuita munhu uye nyoka yacho
yainge yatumwa naTania and if
you remember well ,,,starting
from that day wainge
wakusagona kugara usina
kurara nemunhu rume wainzwa
kuvaiwa..Asi Thank God you are
delievered pawakatsvaga
Mwari satan akashaya
pekupinda napo mulife
mako..Chandiri kungoda
now ,,enda naDasy kumba
kwenyu ugare uchinamata pese
pamuri after two days
wozomuti aende kumba
kwavo.Ndatenda hangu.
Ndakangosvika nekusiya Dasy
naKelly kumba kwavo
ndokutopinda munzira
kudzokera.Ndakati ndava kuda
kusvika kumba ndakashamisika
kuona Sean akamira pamberi
pangu ,,kana simba rekutiza
ndakashaya
chandakangokwanisa kutanga
kunamata.
*CHAPTER 50*

_SALLIE_

Ndakanzwa mhere Ashie


achivira pasi achichema
achibata makumbo ake achiti
ari kupisa.Asi hapana kana
akazvitsvaga zvese benzi riya
rakangosvika nekupfuta mwana
nekuisa kumusana apa mwana
ainge asina kana mazuva
azvarwa here asi wekuudza
ndipo painge pasina.Ndakaona
rakuenda kunosimudza Ashiw
nekumuisa pamapfudzi
ndokubuda richienda ruchiita
kusekerera.Ndakaona Queen
Tia vakuita kuritsa tsamwa
ndokupinda mumba apa Melly
ainge akungodedera ari padivi
izvo zvakaita nditange kuseka
hangu asi hakuna kure
kwandakaenda Leon
akunditambidza foni ndokuona
iri message yaibva kuna Danai
_honey Mwari vakanaka
ndakukwanis kufamba ,,handisi
kumboita kunge munhu anga
akaremara kana kumbonzwa
pain handisi.Glory be to
God._Ndakangoona ndakuridza
mupururu izvo zvakashamisa
vanhu vese asi ini handi akuda
kuzvitsvaga.

Ndakamhanya
ndokunombundira Leon
takafamba ndokuenda kuroom
kwake asi hakuna kure
kwandakaenda ndadhonzwa
naMia achiita kuseka zvekuti
ndakashaya kuti aisekei.
Mia....iwewe Sallie
chimboitawo semunhu
mukuru,,wamboona ziso
rawapiwa naTynash here..Uri
kuziva kuti pane zviri kunetsa
pakati penyu uye Tynash ane
jealous asi ndipo paunoramba
uchiita zvoita aiite jealous.
Ndakaona zveshuwa ndainge
ndakufanirawo kuita zvinhu
zvekuti Tynash achidewo uye
avimbe neni sezvo ndainge
ndakakangisa life yangu kare
nekurara kwandakaita naDasy
ndizvo zvaiita Tynash
asandichengete uye
ndakademba kuti dai zvaiita
kunama zvaiva nane ndokutiwo
umwe wangu avimbe neni asi
ndainge ndakatokanganisa
kudhara.Ndakabva ndafunga
kuti Mia ndiye umwe aikwanisa
kuti ndipinde muroom
maQueen Tia ndokurovera
moyo padombo
ndokumubvunza.

Me....nhai Mia,,,ndiri kuda


kupinda muroom maQueen Tia
ndodii nhai.
Mia....mmmm munonetsa
kupinda but will find a way..mm
God will make a way kkk.

Me....okay i have a plan ndiri


kuda uende kuroom kwavo like
now anty..Wonotaura navo
nyaya ndiri kuda uise key yavo
pasipo tonochekesa.
Mia......good idea asi mmm
zvoda iwewe ndiwe unoisa
pasipo ini ndikapinda
ndotsvaga nzira yekuti varivari.

Takabvumirana naMia
ndokudungamidzana kuenda
asi Tynash aingondipa ziso
raitaura zvakawanda.Takati
tava kuda kusvika kuroom
kwaQueen Tia ndakaona Mia
abatwa ruoko neumwe guard
achipfugama pasi.

Guard....please Mia,,,i know im


not your type but i love you so
much..It doesnt matter
kwandiri kuti
waimbondicheater nevamwe
asi ndini murume wawakatanga
kuziva.Ndokuda wakadaro
please Mia..l can do anything to
win you even to tell the King
how much l love you.

Queen Tia....nxaaa unoti


mwana wangu angade
kuroorwa naguard
here.Uchatozvifira izvozvo ,,,
Ndakashaya kuziva kuti vainge
vasvika patiri nguvai apa kana
simba rekudaira ndakaona Mia
asina.

Guard.....hazvina basa chero


ndichifira Mia hazvina basa..

Mia.... Sei musina moyo


wekubereka mama now
ndakudemba zvese zvandaiita
zvakaunza matambudziko
mulife mangu uye
zvakakonzerwa nemi

Queen Tia ..... Iwe uri mwana


wangu saka ndoita zvandoda
newe
Mia... Pamakandishandisa
pakakwana ezvino ndamwana
waMwari saka ndoroorwa
nemunhu wandinoda

Vakabva varidza tsamwa .


Takasara takatarisana pasina
akataura nemumwe
kwekanguva

Me..... Chese chakabiwa


nemuvengi ngachidzoke nezita
raJesu ,your destiny,marriage
,business,finance ,health and
joy coz the dead child is not
yours pray.Zvandaitaura
ndaisaziva kuti zvabvepi.

Queen Tia...im your


mother,,,ndini ndoziva
zvakakunakira
mangwana.Chinhu chaunofana
kuziva munhu anofarira
kubudirira kwako ndiamai vako
kudarika vanhu vese.l love you
my daughter,,,ndiri kuzviitira
iwe izvi.

Mia....see who is talking ,,,dont


think you're my real mother
dont even feel mothers love
and hapana kana bond
between us.Dai maida
remangwana rangu rive
rakajeka maiitirei kuti ndirote
ndakarara nemunhu mangwana
ndomuka ndona padivi pangu
pane nyoka monditi usatye
ndiye murume wako
iyeye.Ndingaite murume nyoka
shuwa mama i hate you so
much..God will punish you.
Ndakavhunduka kunzwa
munhu aikosora kumashure
ndokuona vari King.

King....let her marry who she


want,,,you cant force her
okay..Mia my daughter l love
you so much..i want to bless
the two of you
Vakabva vatora ruoko rwaMia
neGuard ndokuva blesser .
Queen Tia vakaita kutsamwa
ndokutanga kufamba vachienda
. King vakabva vadaidzira vasina
kure kwavaend

King.... Hahaha tomorow is


your last day in this Palace
handinga gare nemuroi anoda
kundiparadzira mhuri yangu.
Takango dhonzana naMia
ndokubuda tichiita kufara
chaiko. Takati tichibuda padoor
ndokuona Tynash akagara
achinamata izvo
zvakatotishamisawo nesuwo.
Panguva yoyo ndakabva
ndanzwa dzungu ndichidonha
handina kuziva zvakasara
zvoitika.Ndakazopepuka
ndamuhospital mudumbu
mangu muchirwadza zvekuti
ndakademba kufa ndokutanga
kuumburuka ndiri pamubhedha
ipapo.Tynash ndokupinda
achiratidza kushushikana
zvakanyanya ndokusvika
andichibata asi hazvina
kumbobatsira pain yacho
yakaramba akabuda
ndokunodaidza Doc ndokuuya
vakatedzana. Apa maziso
aTynash ainge akaita kutsvuka
kuratidza kuti anga achichema
kwenguva refu.

Doc pavakapedza kuita


zvavakaita handina kumira
kurwadziwa kusvika ndabatirwa
nehope. Ndakatanga kurota
ndakagara pasi Queen Tia
ndokusvika vachiita kuseka
Queen Tia....hahaha zvaiwana
gwarati kkkk

Me.....God is on my
side.Hapana zvamunondiita

Ndichipedza kutaura ndakaona


Daddy vangu vachisvika Queen
Tia ndokutiza
Daddy.... Usacheme mwanangu
Mwari vanenge vane
chinangwa pazvinhu zvese
zvoitika uye vanewe pese pauri.
Mwana iyeye anga asingafanire
kurarama zvine chinangwa
mwanangu..No one will be able
to stand up against you all the
days of your life.God will be
with you like He was with
Moses and He will never leave
you nor forsake you.
Ndakaita kuvhunduka kubva
kubva kuhope ndokuona
Tynash akagara paside pangu
akabata shaya pasina nguva
Leon ana Dexta zvekuti
ndakanzwa kusununguka
zvakanyanya Dexta ndokuuya
achindibata ruoko ndokutanga
kunamata ndokuenda painge
pana Tynash ndokumuti _its
now time to forget about the
past and move on with your
life._Tynash haana zvimwe
zvaakakwanisa kutaura
ndokubuda achiyeredza
misodzi.

Dexta....give him some time to


calm down okay...zvakangoona
kuti azvijamuchiri ..Mimba iya
yainge isiri yaTynash Sallie
okay...everything happens for
reasons sanyanye kuzvidya
mupfungwa.

*AFTER TWO DAYS*

Ndakauya ndichitorwa naLeom


achiita kusekerera izvo
zvakatondinetsawo kuti
aimbonyanya kufarei
kudaro.Takati tasvika kumba
ndokundivhara maziso
ndokundibata ruoko tichipinda
mumba chakandishamisa
mainge makaita kunyararwa.

Leon...i have a surprise for you.


Akadaro achindivhura maziso
zvekuti ndakaita kunge
ndichadonha nezvandakaona.

*CHAPTER 51*
_DANAI_

Ndakatanga kunamata nekuti


ndainge ndarangarira zvainge
zvataurwa naDexta kuti
anochinja kuita munhu ari
nyoka. Pandakatanga kunamata
ndakaona munhu akuridza
tsamwa achidzokera
kumashure paakangofamba
zvishoma ndakabva ndashaya
kuti aenda nekupi.
Ndakavhunduka ndokumhanya
kumba ndakasvika ndakuita
kufemera padenga. Ndakawana
mama vakagara panze naDexta
ndakaona . Mama vakaratidza
kuvhunduka chaiko asi Dexta
haana kana kushamisika nazvo

Dexta..... Sis Danai mazuvano


makuziya mwari
zvinondinakidza chose dai
manga muri mumwe
matopinda mumatambudziko
amanga mabuda asi ndotenda
Mwari nekuisa Mwari pamberi
kwamaita

Mama..... Ambooneiko chaita


amhanye kunge achatyoka
kudai
Ndakavatsanangurira zvose
zvainge zvaitika vakaita
kupererwa chekutaura
vakchishaya

Dexta..... Now takaropafadzwa


neropa raJesu hapana chakaipa
chichatiwira futi saka musatye
zvenyu asi zivai wekuchemera
kana masangana
nematambdziko. Takabva
tanamata ndokuenda kunobika
sezvo nguva dzainge dzafamba .
Ndichipedza kubika takadya
mumba medu muine mufaro
wakawedzerwa.

Mangwana acho ndakamuka


ndokuita basa rangu rese
ndokufung kumbofamba
ndichimboona nzvimbo .
Ndakashamisika kunzwa
munhu aitaura ega achiita
kuseka apa zvaitaurwa zvacho
zvaisanzwisika ndakahwandira
ndichiswedera padhuze
ndokuona ari Tania. Ndakaona
kuti shuwa Mwari vanoziva
nekuonererwa kwaiita mwana
yeye paakandiona akabva
atanga kutiza achiita
kudeedzera

Tania...... Mhaiwe kani urikuuya


kuno kuzondipisa
Ndakaona kuti apa paipa
ndokumhanya kumba
ndokusvika ndichimhanyira
muroom mangu
ndichizvivharira pasina nguva
Dexta namama vakauya
ndokusvikavachiita kumhanya.

Mama.... Wanga uchimhanyei


nhaiwe Danai pese paunobvira
pano unodzoka uchichema
Dexta.... Ngasapote achibva
pano

Ndakavaudza zvose zvandainge


ndaona ndokuti tinamate
tiwanirwe nyasha
nedenga.Tichipedza kunamata
takaona Kelly naDasy vachisvika
apa vaiita kunge maCrazy love
birds chaiwo.
Kelly..ndauya kunotenda Dexta
nekundibatsira kwawakaita
May God bless you.

Dexta...Glory be to God...pese
pamuri ivai muchinamata
ndokuti zvenyu zviite
Dasy......Makaita basa chaso.
Mama naDaddy ndafunga
kuenda kunorora Kelly
paweekend

Mama..woow ipfungwa
yakanaka mwanangu. Muziye
Mwari ndokuti zvenyu
zviendeke.Pazvinoona
pfugamai munamate muri
pamwe chete.
Ndakaona Dexta akusimuka
ndokuenda kunobata maoko
aDasy naKelly ndokutanga
kunamata
achivabatanidza.Pasinawo
nguva vakabva vaoneka
ndokuvabuditsa.Takati tati
fambe ndokuona Tania akagara
pasi achiita kuzvikweya zvekuti
wainzwa tsitsi apa achiita
kutaura ega.Paakationa akabva
asimuka ndokutanga kuseka

Tania....hahaha wakawinaka
yeah..Chienda hako unoroorwa
naLeon wako kkk.Handitambe
nevanhu vanondipisa ini,,,rega
ndimhanye kumurume wangu
kundideedza uko asuwa
mukadzi wake...Watiii huny
ndiri kuuya ..usanditize kani
ndiri kuuya iwe.akadaro
achitomhanya kuenda zvekuti
apa ndipo pandakaona kuti
anoranga ndiMwari shuwa apa
ndakaita kunzwa tsitsi nezvaiita
naTania.Hatina kure
kwatakaenda ndokudzokera
kumba.
Following day...Mai Sallie
vakamuka vachienda kumba
kwavo zvekuti
ndakambosurukirwa sezvo
ndainge ndakutovarairwa
nekugara navo.Vakati
vachienda Leon ndokusvika
akangosvika nekudeedza Dexta
ndokubuda kan nguva
yekutaura neni haana
kumboiona izvo zvakandibhowa
ndokutoenda kunozvivharira
muroom mangu.Ndakaona
mama vatevera ndikaziva kuti
lecturer yatotanga.

Mama....Danai mwanangu
nekuramwa kwako uku
neumwe hunhu waunoita
unoona zvichikodzera kuti uve
Queen here
mwanangu.Dzimwe nguva
ndiwe unopa satan mukana
nekungotsamwa zvisina
basa.Wakamboona hunhu huna
Queen Tasha here always
happy sati ndambovaona
vakatsamwa chero ukaita
zvovabhowa vanokuudza kuti
apa watadza vachiseka.Saka
ndinokumbirawo uchinje hunhu
wako ,,,pamuromo wotosiya
futi.
Me..okay mama maita basa asi
pane pamwe pasingade
kunyararwa ini hangu ndotaura
handina basa kuti zvobhowa
munhu here chero ndakuudza
chokwadi.Ndosaka Queen
Tasha vaiitiswa naQueen Tia
inyaya yekunyararisa iyoyo ini
ndowochoka panoda muromo
ndoshandisa muromo panoda
maoko ndoshandisa.
Mama......ini zvako zvekuda
kutora hunhu watete vako
handizvifarire kuti unzi uri
munhu ivavo nenyadzi
mwanangu.Vakabva vatooneka
ndokubuda vachiseka
zvavo.Ndakasara ndokurara
hope dzeumambo chaidzo
zvekuti ndakazoita
zvekumutswa naDexta achiti
ndiri kudiwa panze ndokuona
ari Leon..Hasha dzese dzakabva
dzapera nekuti pachokwadi
*MY LOVE FOR THE PRINCE*
Leon was too much ,,ndaimuda
zvakanyanya mwana iyeyu.Iye
paakandiona akabva atanga
kusekerera ndokuuya
achindibata ruoko tichipinda
mumota.Ndakaona munhu
akuenda nedirection yekumba
kwana mai Sallie.Mai Sallie
vakatoshamisika kuona
tichisvika.Leon haana
kutambisa nguva ndokuudza
Mai Sallie zvaainge afambira.

Leon...mama kuona ndauya


kuno kudai ,,zvinhu hazvina
kumira mushe ndaunzwa
namainin vaSallie kuti
makadzoka.Sallie ari
kuchipatara kutaura kuno
akabva mimba .
Mai Sallie vakaratidza
kurwadziwa zvakanyanya
ndokutanga kuchema.

Mai Sallie....iri nyaya yerudo


chete ndiyo yaita mwana
wangu asangane
nematambudziko ese aya uye
kundisanganisa nemuvengi
wangu..Queen Tia vanyanya
please Lord do something.

Leon....Queen Tia kubva nezuro


hatina kumbobvira tavaona
vakangobuda hapana ari kuziva
kwavari.
Mai Sallie.....We have to pray
hard because that woman is
dangerous.

Leon...dont worry mama God is


in control...Tania hanzi
akupenga uyu Ashie kubva paya
paakatorwa nebenzi rake
hatina kumbobvira
tamuonazve.Mwari vakuratidza
masimba avo manje hameno
vaMelly avo vakugara
vakazvivharira muroom mavo..
Leon haana kuzogara
ndokuoneka.Takati tava
munzira kudzokera Leon
akabva amisa mota padivi
peroad ndokuti timbofamba
tichifurwa nemhepo.

Leon...its now high time to


marry you Danai...can you
please talk with your mom or
aunty about this okay.

Ndakangokwanisa kugutsurira
musoro kuratidza kufara
ndichimumbundira ko pane
asingadewo kuzoita Queen
here izvo zvairwirwa nana
Melly naAshie.Takatanga hedu
kutamba chikudo tichimhanyisa
ndokusvika tichigara pane
pamwe kadombo asi pairatidza
kuti panogara munhu chete
nekuti painge pakangozara zara
zvinhu hembe nemidziyo izvo
zvairatidza kuti zvakanhongwa
ndakanzwa Leon akundikwenya
kuti ndisimudze musoro
ndokuona kuti nditi kamba
zvakandirambira nekuti kainge
kakavakwa nemaplastic kare
paseri pedombo.Pandakati
nditaure ndakaona Mad man
pataiva akabereka kamwana
kumusana.

Mad man..mauya kunoitei


pamba pangu nekumadzi
wangu..Muri kuda kumuona
here huyai mumuone arimo
mumba umu.
Ndakamboda kuramba asi Leon
akandibata ruoko ndokutanga
kufamba tichienda ikoko
ndokusvika tichisangana
neshura chairo Ashie ainge
akarara padivi pake pane
zinyoka iro raiita kumunanzwa
iyi achitopfavirira akatori
mbundira.Ndakatadza kuramba
ndakaritarisa ndokudhonza
Leon ruoko kuti tibve apa Mad
man uya ndokutevera
kamashure.

Mad man.....matoshamisika
neizvi inotorara naye nyoka
yacho hameno nei imi maiona
nekuti haioneke oneke.
Ndakatoona kuti pano
zvakaoma ndokuoneka hedu
,Leon akabva aoneka
ndokuenda.Handina kutambisa
nguva ndokuudza mama nyaya
yainge yataurwa naLeon
vakangosekerera ndokuti
vaizotaura nana tete uye
nadady.Dady vakati vachisvika
ndokupirwa nyaya apa
ndaitotya kuti vachapopota asi
hapana zvavakataura ndokuti
ndiende kwaTete
mangwana.Following
day,,,ndakabva ndatomuka
kuenda apa ndainzwa mufaro
wakzara.Ndakati ndiri mucombi
ndakavhunduka kuona padivi
pangu pakagara ..
*CHAPTER 52*

_DANAI_

Ndakashamisika kuona padivi


pangu pakagara Melly iye
paakandiona akabva atarisa
kudivi ndokutanga hangu
kuseka apa iye ainge akaita
kuzvivhara kuface kuti
asaonekwe.Takati tichisvika
pabus stop ndokuburuka asi
Melly handina kuona kuburuka
kwake.Ndakati ndati fambe
ndokuona Leon akandimirira
nemota ndokukwira munzira
mese ndaingounzwa kuti
_ndokuda kani Danai_ zvekuti
ndakapedzisira
zvakubhowa.Takati ndichisvika
kuPalace ndokunanga kuimba
yaigara tete ndokuvaudza
zvandainge ndafambira
vakangoseka zvavo ndokuti
zvainge zvakanaka uye Leon
ainge ataura.Pasina nguva Leon
akabva asvika ndokuti kana
tapedza kutaura ndimuudze
sezvo ndaidiwa naKing.
Ndakabva ndangobuda naye
sezvo ndainge ndapedza
kutaura natete apa hana yangu
yaiita kurova kusangana
nalshe.Ndakanzwa
kusununguka apo
ndakasangana naMia uye
hameno zvandakanzwa apo
akandimbundira ndakatoona
iye achiratidzawo kuvhunduka
asi hapana akaita basa
nazvo.Takati tava kuda kupinda
muroom mainge muna King
,,Leon akabva andimisa
ndokuto timbomira sezvo
mainge mapinda maelders
ndokunzi ndiende naMia
kuroom kwake.Ndakati
tichipinda muroom maMia apa
ndipo pandakaona kuti Mia aiva
nemabasa shuwa aitova soja
rosvika kure akabva atanga
kundiratidza zvinhu zvaaibge
akatengerwa neaaiti
mukomana wake.

Mia.... Mwari wedu ane hanya


nesu weduwe hona zvinhu
zvandakatengererwa
nemukomana wangu Guard
wedu (Ronie), ndiye
wandakatanga kudanana naye
uye nekurara naye ndiye
akatondibvisa humhandara
wangu

Me.... Tomutenda Mwari . Akati


Jer 33:3 'Call to Me, and I will
answer you, and show youc
great and mighty things which
you do not know.' Takatang
kurumbdza mwari tese.
Mia.....Mwari vakanaka wasnt
expecting Him to forgive me
just like that..I love this God ,,i
will worship Him nomatter
what.Vandiratidza rudo rwavo
nekuti Ronie ndakamutadzira
pakawanda pamwe pacho
aitosvika ndakarara nemumwe
mukomana asi andida
ndakadaro.
Pandakati nditaure foni yake
yakabva yapinda message
yaibva kunaRonie kuti
vasangane akabva atomhanya
kunogeza pasina nguva
ndakaona munhu akudzoka
akamonera towel ,,,ndakaita
kuvhunduka apo akatendeuka
achivhara door ndokuona
chivanga icho chainge chiri
pakati pemusana wake icho
chainge chakafanana
nechandaiva nacho uye Dexta
naDady vaiva nacho futi.Iye
akatozviona kuti ndarivara
ndakamutarisa ndokutanga
kuseka zvake achinopfeka

Mia....ini ndotokusiya wega


muno ,,handirege kuenda
kunoona murume wangu
iwewe wako aripo wotoenda
kuroom kwake.
Ndakangokwanisa kuseka
ndokubuda tese iye achienda
ini ndichienda kunotsvaga
Leon.Ndakabva ndamushaya
ndokuenda kumba kwatete
sezvo ndainge ndaunzwa kuti
ana King mumba mainge mune
maelders.
*FOLLOWING DAY*

Ndakangomuka ndichinzwa
mufaro ndokumuka
ndichigeza.Pasina nguva
ndakaona Tynash asvika kumba
kwatete achiita kufara
zvakatondinetsawo zvekuti
akangosvika achindibata ruoko
achibuda neni gate.
Tynash.....today is the happiest
day of my life..I want to make
things right with Sallie ,,ndiri
kuda kukumbira ruregerero
pane zvose zvandakamutadzira
anty..So lets make a deal
okay..Ari kubva kuchipatara
nhasi ndataura naLeon dakuti
aone mama vake varipo
asingafungire uye ndokumbira
ruregerero varipo.
Ndakangokwanisa kudzungudza
kumusoro kuratidza kubvumira
ndokundiudza kuti Mai Sallie
vainge vatouya kare chasara
kuti ini ndiende mumba
mavainge vari.Handina kuita
nharo ndokutanga kufamba
ndichienda ikoko.Ndakasvika
ndokuona mumba
makashongedzwa zvakanakisa
ndokutotanga hangu kutaura
nyaya nevamwe.Pasina nguva
ndakanzwa kufamba kwevanhu
ndokunyarara sezvo tainge
taziva kuti kwauyiwa.Leon
akabva apinda akavhara Sallie
maziso ndokusvika
achimuvhura ,,Sallie akaratidza
kuvhunduka apo akaona amai
vake akatadza kuzvidzora
ndokumhanya kunovambundira
ndokutanga kuchema pamwe
chete.Vakazoti shungu
dzaserera ndokusiyana apa
Leon akabva andibata ruoko
ndokuenda neni panze.

Leon.....my wish was to


introduce you today but eish
pane zviri kuitika King vati
timbomire vatange vagadzirisa
zvinhu zvavo.
Pandakati ndidavire takanzwa
ruzha kugate ndokumhanya
ikoko ndokusvika tichiona vari
Queen Tia avo vaiita kupopota
kana chavaipopota chacho
takachishaya.Apa vanhu vese
vainge vachibuda panze
zvino,,ndakaona Sallie asvika
achindibata ruoko ndokuenda
kwainge kuna Mia kana
kwandaiendeswa handina
kuziva ndakazonzwa Mia akuti.
Mia.....handei kuroom kwavo
now..
Ndipo panda kazoziva
kwataienda.Takasvika
nekupinda ndokukiya nemukati
ndokubvisa makeys.
Mia....kana tikanzwa kwakuuya
munhu tinopinda mutoilet umu
okay..
Takangokwanisa kugutsurira
musoro kana pekubata
ndakapashaya.Sallie ndiye
akamhanya kuenda kunovhura
muwordrope apa ini hana
yangu yainge yakurova
zvino.Ndakaona Sallie akubata
muromo ndokumhanya
paainge ari ndokusvika tichiona
shura chairo zvekuti kana izwi
rekuridza mhere ndakarishaya
wainge uri musoro wemunhu
wakaona uye kamwana
kacheche ako kainge kakaona
kuratidzwa kuti akatoita
zvekuomeswa.

Sallie....we have to pray tiri


mumba kuno..Tese tinokunda
please,,,Dexta ari kwaari ikoko
ari kuti batsira.Takatanga
kunamata zvekuti iri ndiro
rakava zuva rangu kunamata in
tonges.Tiri pakati pekunamata
takanzwa kufamba kwemunhu
aimhanya ndokumhanya
kunowanda,pasina nguva
kaona door ravhurika
ndokuona vari Queen Tia avo
vaiita kumhanyisa mhanyisa
maziso.
Queen Tia...pane munhu
akapinda muroom mangu i can
feel it ,,,ko ndakadii kunzwa
ndiri kwandaiva ndiri.vakadaro
vachida kufamba asi takanzwa
zisound saityisa ndokuona
zinyoka raibuda pasi
pemubhedha ndokuenda
kunomonera Queen Tia
chakandinetsa hapana kana
munhu wandakaona
achitya.Ndakaona nyoka iyi
yakutanga kunanzwa Queen Tia
,ivo vaitoipurizira.Zuva iri ndiro
rakava zuva rangu rekutanga
kuona uye kunzwa nyoka
ichitaura.

Nyoka.....you have betrayed us


and unoziva munhu anenge ati
betrayer noitwei ..death death
death.
Vakadaro ichibva yasvipira
Queen Tia mumaziso ndokuona
pasisina chinhu apa ivo vainge
vakuita kutsvukuta maziso
kunge munhu akupenga ,pasina
nguva takaona pakubuda
tudhori tupfupi pfupu
ndokuenda pavainge vari
ndokutanga kuvarova ivo
Queen Tia vaiedza kuda kuridza
mhere asi izwi rairamba
kubuda.
Tudhori...you have betrayed
us....takuenda isu asi ziva kuti
ndisi taikuchengeta,,,death
death death.takazongoona
pasisina chinhu apa ndipo
pandakatarisa Mia naSallie
ndokuona vachinamata ndipo
pandakarangarira kuti ndainge
ndatovarairwa.Ndakaita
kuvhunduka kunzwa Queen Tia
vakuita kuridza mhere vachiti
maziso avo apa ndipo
patakabuda tichinovabata asi
ivo patakavabata vakabva vaita
kusimuka vachimhanya kuenda
panze zvekuti munhu wese
akashamisika nechiitiko
ichi.Hatina kutambisa nguva
ndokutevera ndokuona
vakagara pasi vakabata
makumbo avo vachiita kunge
munhu akurasika njere
vakungoseka zvisina basa.
Queen Tia....you think you can
kill me hahaha ukauraya ini
amai vako munowanepi
mukaka kkkk imi vana imi
makufarisa.

Mia......mubairo wezvivi rufu


amaiwe.
Sallie akabva amhanya
kunomubata muromo sezvo
ainge atoona kuri kuda kuenda
nyaya yacho.

Queen Tia....im nor talking to


you iwe..Dai ndakakudya kare
iwe aah unoti ndiri amai vako
inini.Imi vana imi ndati kana
mafunga kundisiya ndega endai
makanyarara muri kuita noise.
Kana kwaienda nyaya dzavo
ndakakushaya kuti nditi
vaitaura naMia
zvakandirambira sezvo vainge
vakusanganisa nyaya.

Queen Tia...amaiwe kani ndiri


kurowa ini .Sorry kani vanangu
chazviite futi kani.okay okay
ndovauraua vese ava
Apa ndipo pandakatoona kuti
vainge vakuda kutopenga
chete.

End of chapter 52
*CHAPTER 53*

_SALLIE_

Ndakashamisika kuona mama


vangu vari mumba neshungu
dzandaiva nadzo ndakabva
ndanovambundira ndokutanga
kuchema kusvika shungu
dzapera.Danai naLeon vakabva
vabuda ndokusara ndina vana
amai vangu tichikurukura asi
mupfungwa dzangu
maingofunga Tynash ndakaita
kuvhunduka kunzwa ruzha
ndokumhanya panze ndokuona
Queen Tia vachipopota
ndokuronga naMia naDanai
kuenda kuroom
kwazvo.Zvatakaona ikoko
zvakatipedza simba asi
kunamata handina kurega uye
kutya kwese ndaisambova nako
kana zvivindi zvacho
ndakashaya kuti zvainge
zvabvepi.

Takazoona Queen Tia vakubuda


vachimhanya ndokutevera
ndokutanga kurotomoka kana
zvinhu zvavaitaura ndakatadza
kuziva zvairevei.Vari pakati
pekurotomoka takavhunduka
kuona Dexta achipinda ane
vabereki vake.

Dexta.....But the Lord is the


true God,he is the living God.I
warned you Queen Tia...When
we go out to battle againsr our
enemies and see horses and
chariots and people more
numerous than you.We dont be
afraid of them for the Lord our
God is with us. Who brought
you up from the land of Egypt.

Queen Tia....please people i


want to confess please forgive
me..Ndiri kurowa ini nevana
vangu kuti ndisataure asi i have
to confess.
Munhu wese aiva mumba umu
akavhunduka kunzwa munhu
aiombera maoko kucheuka
kudai ndokuona Queen Tasha
vakamira vakabatana maoko
naMai Danai namama vangu.

Queen Tasha....maifunga
ndakafa kkkk maizvinyepera.I
adore the King of kings.Ths lion
of tbe tribe of Judah.I give all
glory for He worth it.thank you
Lord for fighting and winning
my battles,,l love you Lord.

Queen Tia.....where is Melly i


want to confess please.

Leon...totobvunza imimi ko
handiti umwe wenyu here.
Dexta.....You are not ready to
confess Queen Tia,,,muri kuda
kuita zvekusundwaka.

Ndakaona Dexta akutanga


kunamata King vachidonha
kubva pachair yavo ndokutanga
kugwina gwina asi Dexta ati
pasawane anovabata.Takaona
murume mukuru akuridza
mhere yakavharira palace
yese .

King......im sorry my wife


Tasha..Zvese izvi zvakatanga
rimwe zuva ndakagara
neshamwari yangu baAshie apo
ndaizvidya moyo nekunonoka
kwako kubata pamuviri ndokuti
ndiri kuudzawo sawira wangu
nhamo yangu sezvo zvai ge
zvakunetsa kuti tava netwo
years usina mimba apa
ndaidawo mwana wekusiira
humambo.

*FLASHBACK*

Ba Ashie....my King dakumbidzo


rako ndakakuudza kune
anoripedza asi iwewe nekuda
kutii heee ndinonamata
zvakanyanya uri kuramba
kuenda kun'anga yangu.

King....shamwari dama rako


rakanakisa kwazvo asi ini ndiri
muri Christian saka kuti
ndiende kun'anga hazvindiitire.
BaAshie vakaramba
vachindinyengerera kusvika
ndabvuma kuenda kun'anga asi
hana yangu yaiita kurova uye
ndaisada kuti Queen Tasha
vazive sezvo ndaida mukadzi
wangu zvakanyanya uye ndainh
ndazvipirira kuti handizombofa
ndakaroora umwe.Takasvika
kun'anga kuuya mhiko
dzandakapiwa ndodzo
dzakandipedza simba ndakanzi
ndaifanira kurara nemusikana
aiva mhandara ndapedza
ndaifanira kuenda nemasheets
acho kun'anga uku.Vozotiudza
zvimwe zvekuita tadzoka,,,Ba
Ashie ndivo vakanditsvagira
musikana wacho ndokuuya
naye.Takati ndichipedza
ndokedzokera kun'anga kuya
apa Queen Tasha vaiva murima.
N'anga...musikana uyu
achangopepereka nenyika uye
achava benzi rekupedzisira
anenge achingova pfambi
ndokuti zvenyu zviite.

King....but

Handina kukwanisa kupedza


zvandaida kutaura ndagamwa
nen'anga iya.
N'anga....muchava ishe ane
mukurumbira uye mukadzi
wako achangoita vana vaviri
chete uye vanofanira kuroora
mwana weshamwari yenyu
umwe wacho acharoora
mwana wangu zvikasaita
sekudaro mupalace
munoshaika rugare uye vana
vako vanofa.Kuti zvinhu izvi
zvisimbe toda ropa remwana
mucheche.Ndinoda
unongonoisira muchikafu chiri
kudyiwa nemukadzi ane mimba
chete zvinenge
zvatoita..yakadaro n'anga
yacho ichindipa zvima
zvipaudha ndokubuda
tichidzokera kumba asi hana
yangu yairova nekuda mwana
ndakangozvishingisa
ndokuenda kumba.Ndakati
ndasvika kumba
ndakanyatsofunga
kwandaiwana mukadzi ane
mimba ndokurangarira kuti
shamwari yangu yaiva
nevakadzi vaviri yaaidisa wacho
aiva nemimba.Ndakabva
ndaenda kumba kwake
ndokuisira mukadzi wake
mushonga uya ndokudzokera
kumba,,,ndakati ndichisvika
kumba ndokuudzwa kuti
mukadzi wake ainge abva
mimba ndokuendeswa
kuchipatara asi pavasvika ndiye
sarai vese nemwana wabva
vafa.

Hameno kuti akaziva sei kuti


ndini ndakauraya mukadzi
wake ndipo pakatanga hondo
yese kusvika uye Queen Tasha
vakabva vabata pamuviri izvo
zvakabhowa shamwari
yangu.Kubva ipapo tainge tava
kusawirirana kusvika
ndazosangana nemusikana uya
wandakakanganisa hupenyu
wake anova Tia ndokutanga
kudanana naye kana kuti
ndozive ndakamuda sei
handizive ndakazongona
atouya akugara pano ndiye
ainge akutonga . Huipi hwake
ndaihuona asi simba
rekumudzinga ndairishaya
.Takaita nguva tisingataure
neshamwari yangu chero
n'anga iyi apa Queen Tasha
vainge vatova nevana vaviri
ndipo pakazouya shamwari
yangu ndokuti yava nguva
yekuzadzisa chitsvividzo
chedu..Ndainge ndisina simba
rekuramba ndipo pakauya
Melly uyo mwana wen'anga
uye Ashie mwana weshamwari
yangu kunogara pano.Zvese
zvaiitika ndaizviona asi hapana
zvandaikwanisa kuita nekuti
ndaitya nyaya dzangu Ba Ashie
vaiti ndikaramba
vanondisungisa kuti
ndakauraya mukadzi wavo.

*FLASHBACK END*
.................................
Vanhu vese vainge vamira
kunamata vakunzwa mashura
aitaurwa aya asi Dexta haana
kumira kunamata akabva ati
imba yese vanhu vanamate.
King.....ndinoti
mundiregerereiwo vanangu
mese nemukadzi
wangu.vakadaro vachisimuka
ndokuenda kunopfugama
pamberi pemhuri yavo.

King.....ndadzidza chidzidzo
kubva nhasi ndakunamata
Mwari wandainamata kare
ndiye achandirwira muhupenyu
hwangu hwese .
Ndakaona Dasy akufamba
kuenda kuna Queen Tia avo
vainge vakagara mukona
vachingokwenya kwenya
Queen Tia.... Iwe urikuuya
kuzondipisa mira hako ikoko
ndireurure zvivi zvangu nekuti
handina mazuva ndiripanyika
vana vang varikundirova.

Vakambonyara kuita kunge


vane munhu wavaitaura naye
ndokuzotanga kutaura
kwapera kanguva
Queen Tia .... Zvese zvakaitika
izvi yaive trap. Baba vaAshie
ndovakanditsvaga kuti ndirare
naKing,nekudawo mari
ndakabvuma ndokuita kuda
kwavo asi chinhangwa chedu
taida kuparadza Family yaKing
nenyaya yeruvengo chete uye
ruchiva. Ndakaenda kun'anga
ndokupiwa mushonga wekuti
King vandide zvakaita
sezvandaida.Asi ndainge
ndakanzi handizvare mushure
mekunge ndabvisa mimba
dzakawanda saka ndakafunga
kunyepera King kuti ndine
mimba ndokuba mwana waMai
Danai uyu mwana wacho
anonzi Mia.Ndakanzwa kufara
sezvo ndaidawo kutsiva Mai
Danai avo vainge vakadanana
nemurume wandaidawo saka
kutora mwana wacho ndaiziva
zvichavarwadza kungonzi
mwana azvarwa akafa.Iniwo
ndakangozvarwawo ndiri
munhu aiva nehutsinye saka
ndaionazvichitondiitira
kutambudzika kwese kwaiita
vanhu pano paPalace ndini
ndaikonzeresa zvangu.
Pandakaona kuti Mia akura
ndakatanga kumushandisa kuti
arare nemagurds ese pano
zvinova ndizvo zvaiita ndiwane
simba rekuparadza King
nemhuri yavo. Munhu akauya
nekukanganisa zvose ndiSallie
naDanai vakauya kuzogara
pano vachinamata vakabatana
naQueen Tasha naLeon . Zvinhu
zvese zvakabva zvatanga
kusanyasofamba pavakauya
nekuti ndovaipa Queen
naPrince simba rekunamata
.Nhaiye mwana wamunoona ari
apa uyu Dasy ane simba
rakanyanyisa. Takaedza nepese
pataigona kuti tikuparadzei asi
zvakaramba naiwaya ndinoti
rambai makadaro
muchirumbidza Mwari wenyu
anokudai chose. Iwe Mia
woenda kunogara nevabereki
vako avo wakagona ukaziva
Mwari nguva ichiripo

Vachipedza izvi vakabva


vagwinha ndokuti sarai.Munhu
wese akaratidza kurwadziwa
nechiitiko ichi asi Mwari vainge
vaita kuda kwavo.Ndakaoma
Mia akumhanya kubuda
mumba ndokumhanya
ndichimutevera sezvo
ndaimutyira kuita zvakashata
nekuti zvaisava nyore kuziva
kuti waishandiswa nemunhu
akakuba muchipatara.
Mia.....zviri nane kuti ndife
hangu ini,,,,ndoraramira chii
hangu.
Ndakabva ndamumbundira
ndokutanga kuchema pamwe
chete ndokuzodzokera mumba
shungu dzapera ndakatosvika
body yaQueen Tia
yabvisa,,,takati tichigara pasi
Priest Mala vakabva vasvika
ndakaona vanhu vese
vakudzikamira.
Priest Mala....handina nguva
yakawanda asi ndinoda kuti
Queen Tia vanovigwa kumusha
kwavo kwete kunovigwa vanhu
vemuroyal family nekuti mweya
wavo unogona kudzoka
wotenderera muno
mupalace..Dexta ndiye achava
achindimirira uye anofanira
kugara pano.Vakadaro
ndokuenda painge pakagara
Dexta ndokuti apfugame
ndokumudira anoiting ndokuti
ndiye achava Priest weKingdom
iyi.Havana kutora nguva
ndokubuda vachienda,,,vakati
vachibuda hama dzaQueen Tia
dzakangosvika dzichipopota
ndokutora body yehama yavo
ndokuenda pasina wavataura
naye.
*AFTER THREE DAYS*

_DANAI_

Zvinhu zvainge zvakuendeka


zvino,,,kupalace kwainge
kwadzokera kuita zvinhu
paorder izvo zvaifadza
zvakanyanya.Mia ainge
akatoorwa naRonie wake izvo
zvakafadza vanhu vazhinji uye
Mia ainge azvijamuchira kuti
ndisisi vangu uye vabereki
vangu vakafarawo nazvo
zvekuti tainge takugara uru
mufaro asi dzimwe nguva
taimbofunga Dexta sezvo ainge
akugara kupalace.Ndainge
ndichitobva hangu kunochera
mvura nditone tsvima
ndokusvika Tynash akamira
pagate pedu izvo
zvakandivhundutsa.

Tynash....Danai please pinda


mumota now Leon aaah....
*CHAPTER 54*
_DANAI_

Kana simba rekufamba


ndakarishaya Tynash akatoita
zvekundisumudza achindiisa
mumota.Ko iye Leon ainge aita
seiko futi,munhu wandainge
ndabva kutaura naye here?
Ndakatanga kuzvibvunza
mibvunzo yakawandisa apa
Tynash wacho ainge akapfeka
face yembada zvekuti
ndakatotadza kana
kumubvunza.Takati tichisvika
papalace Tynash akandibata
ruoko ndokutanga kufamba
neni tichipinda mukati ndakaita
kuvhunduka kuona vabereki
vangu varimo nasis Mia
vakajegera zvavo
mukona.Zvakandinetsa kuti
vanhu ava vaimboedza kuita sei
,,ndakatsvaga Leon wacho
ndokumushaya
ndakangokwanisa kugara pasi
misodzi ichiyerera.Ndakaita
zvekuvhunduka ndabatwa
pabendekete ndakatoziva kuti
aiva Leon nekuti aiti
akangondibata ndainzwa ropa
rangu kumhanya mhanya kunge
munhu abatwa
nemagetsi.Ndakasimudza
musoro ndokuona munhu
achitosekerera hake
achindibata ruoko kuti
ndisumuke.Ndakati
ndichisimuka iye
ndokupfugama pasi zvekuti
ndakambovhiringika pfungwa
kuti zvava kumboda kufamba
sei.
Leon...there was alot of
happiness doing small things till
yesterday..those are my
interest in this world but after
one day you come into my
life.Many things changed and
there are still more to be
changed but only one thing
that wont be changed and its
my love to you.Will you be my
wife Danai.
Mashoko aya akaita kuuya
semaungira muzveve
dzangu,,,inin chaiye village
kutotanga nekuengager ndipo
pandakaona kubata
kwaMwari.Ndakangomhanya
kudaira chero kwazvakabva
handizive
Me.....yes yes will marry you
because my love for you doesnt
make you a part of my life but
you are my life..
Akabva andipfekedza ring
ndokumbundirana apa mufaro
wainge wakaita kuwanda ko
taityei zvedu vavengi vedu
vainge vasisipo. Takabatana
maoko ndokuenda kunobleswa
naKing ndokuudzwa kuti
taifanira kuzochata after four
days.

Vanhu vakaita mabiko


ndokudya hapana akachema
chema nekusaguta nekuti
chikafu chainge chakaita
kuzara.Takazoenda kumba zuva
ranyura sezvo taida
kunogadzirira zvekuroorwa
kwangu. Ndakaroorwa
zvakafamba zvakanaka hapana
chakasara kubviswa. Daddy
vangu vaingosekerera
vachiratidza mufaro mukuru
chaiwo. Ave masikati Daddy
vakanditi nditere panze
ndokusvika vachindimbundira

Daddy...... Thank you my


daughter that was my wish kuti
ndidyewo pfuma yako
sezvandaita nhasi,,waiona
kunge ndiri kukuitira hutsinye
asi ndaidawo kuona
chinobatika pauri.

Apa ndipo pandakaona kuti


mwana musikana akatadza
chero kumitiswa mhosva
inopiwa amai asi akadadisa
baba vanomhanya kuti mwana
ndewangu.Ndakabva
ndambundirana nadady vangu
uri mufaro wega wega zvikati
zvagara zvaidadisawo.

Mazuva akafamba kusvika day


rekuchata rasvika mufaro
wainge wakaita kudurura
chaizvo.Zvinhu zvakafamba
zvakanakisa ,,hepano
pakunorara apo Sallie naMia
vakabva vandidhonza kuenda
padivi.
Mia......nhasi
chakadhororoka,,,chekutanga
ndinoda kukutenda muninina
wangu nekuzvichengetedza
Mwari wave newe mumarriage
yako.
Sallie.....thanks my friend
wadadisa ini kuonda kudai ndiri
kutsanya kuti Mwari vapindire
ndikwanise kuroorwa naTynash
sezvo mutemo wemuno
munouziva Prince haafanire
kuroora munhu asiri mhandara.

Me.....Dont you be afraid ,for


im with you,dont be dismayed
for im your God.I will
strengthen you.Yes i will help
you,,yes o will uphold you with
the right hand of my
righteousness.Sallie one thing is
for Sure God has not turn his
back on us,,He is with us in bad
times and good times for He is
our God if He is for us who can
be against us.
Mia.....we dont worship a poor
God tinonamata Mwarj
anosimudza marombe kubva
muguruva.Whatever situation
we are today ,God is never
asleep for He is going to help us
to overcome
zvinotirwadza.Dont loose hope
Sallie.

Sallie.....what is zvikanzi
hazviite ndodii nhai..i regret
everything *MY LOVE FOR THE
PRINCE* is unconditionally.

Me....God will help us nekuti


vakati i will give you my right
hand.He said when you pass
through the waters ,i will be
with you,and through the rivers
they will not overflow
you.When you walk through
the fire you will not be burned
and the flame will not scorch
you.For im your Yahweh your
God the Holy one of lsrael.your
Savior.

Mia...God is our only source of


power and strength Sallie.Stand
firm nekuti not even the fire
will burn you.For Our God is
our great pillar.
Ndakaita kuvhunduka
ndabatwa ruoko naTynash
ndokutanga kufamba achienda
neni kana nguva yekuoneka
vamwe ndakaishaya apa Tynash
aitoseka zvake ndokundiendesa
kuroom kwaLeon. Ndakasvika
ndokuenda kunogeza ndadzoka
ndokuwana Leon akagara zvake
pabed apa ndaiita kunyara
chaiko hembe ndainge
ndachinjira kubathroom
pakuzora mafuta ndopainge
paoma manje. Pandakapinda
muroom medu naLeon
ndakawana maziso ake aita
kutsvuka ndokuuya achindibata
ndakavhunduka iye akazviona
ndokutanga kundikisa
zvekusvika ndisisina kana simba
ndakazongonzwa sharp pain
yakaita ndiridze mhere Leon
achibva andivhara muromo .
Leon.....l love you so much
Danai..nhasi wandifadza
mukadzi wangu,,,,handimbofa
ndakakusiya kunyangwe zvodii.

Ndakangokwanisa kusekerera
zvemunhu ari mumarwadzo
sezvo ndaiziva ndega kuti *MY
LOVE FOR THE PRINCE* is
extraordinary.

_SALLIE_

Tynash paakadhonzwa Danai


kuenda naye Mia akabva
atorwa naRonie wake zvekuti
ndakasar ndiri pachena
ndokutanga kufamba
ndichienda kunogara pangu
ndega apa misodzi yainge
yakuyerera ndava kudemba
zvese zvandainge ndaita
naDasy apa ndipo
pandakadzidza kuti
kuzvichengetedza
kwakakosha.Ndakaita
kuvhunduka ndabatwa
pabendekete kusimudza
musoro kudai ndokuona ari
Dexta.

Dexta....Its shall be well with


you Sallie,,,please dont stress
yourself too much..By the end
of this week your are going to
testify nekuti hatirarame Mwari
vakafa asi a living God..Your
prayers had been heard,,we are
Christians Sallie Jesus died for
us akatambudzwa
akatirowerwa vanhu vangaedze
zvose as Lord our God is with
u.

Akabva atanga kufamba


achienda kana nguva yekudaira
haana kundipa,,ndakabva
ndasara ndichipukuta misodzi
yangu. Pandakada kuti
ndifambe hameno chii chakaita
ndigumburwe ndokusvika
ndichivira mumaoko aTyash ko
ndainge ndakutomuziva kuti
apa ndabatwa nani.Iye
akatadzawo kudzika
ndokunovira pamusoro pangu
zvekuti takaita nguva
takatarisana tichingonzwa
kufemereka chete.
Tynash....Sallie i know i have
wronged you many times
please forgive me.

Me...its okay lets forget about


the past and move on.

Tynash....yeah lets make peace


with our past so that it will not
spoil the present .Forgive each
other for everything,,,whatever
people think and say about us
its none of our
business.Ndichamira newe
Sallie usatye hako.

Panguva yaaitaura izvi akatanga


kuuisa muromo wake kune
wangu ndokundikisa zvekuti
ndakatadza kumusandudzira .
Kiss yoyo yakaita nguva sezvo
tese tainge
tasuwana.Takazoregedzana
ndokutanga kuona hedu
mastars tichitaura nyaya
tichiseka kana kwakabva hope
handina kumbokuziva
ndakazopepuka ndiri muroom
maTynash ndakarara
pachipfuva chake izvo
zvandaishuwirawo zvakaita
nditange kusekerera
ndega.Ndakaita zvekuvhunduka
kuona Tynash akanditarisa
nenyadzi ndakabva ndasimuka
ndokuenda
panze.Ndaitarisirawo
kusangana naDanai asi handina
kuona munhu panze ndakabva
ndaziva nyaya yacho
ndokuenda kumba kwamainini
ndokutanga hangu kuita basa
ndichitoimba hangu zvekuti
munhu akapinda mumba
handina kumunzwa
ndakazotoita zvekuvhunduka
ndanzwa munhu airidza mhere
kucheuka kudai ndokuona ari
Mia.

Mia...Tynash angodonha Sallie .

Handina kuda kumirira kuti


apedze ndokumhanya
mupalace ndichiita kudeedzera
zita raTynash ndakavhunduka
kuona makaita kushongedzwa
zvinodadisa panguva
yandaifemerekawo Tynashe
akabva apinda achidaidzirs zita
rangu . Takabva tatarisana tese
tichiratidza kushamisika
nechiitiko ichi. King vakabva
vapinda apa misodzi yangu
yainge yakutobuda kare.
Vakabva vauya pandainge
ndakamira naTynash ndokuti
_Tynash my son l love you so
much,,my wish is too see you
happy.lets forget about the
past and move on okay.You are
going to marry Sallie ,her past
doesnt matter now.I want to
bless the two of you now and
you will propose to her right
now._Vakadaro handling
Tynash kabox.Ndakaona Tynash
akupfugama pasi misodzi
ichiyerera.
Tynash.....Sallie l love you so
much ,,will you marry me.

Handina kutambisa nguva ko


ndaitya kuti King vanogona
kuchinja moyo ndokuti
"yes!!,yes!! i will marry
you".Takabva tambundirana
ndakaita kuvhunduka kunzwa
vanhu vaiombera maoko
kucheuka kudai kuona mumba
makazara vanhu.Takati tiri
pakati pekufara takavhunduka
kuona mukadzi akapinda
akazvivhara face apa tsvina
yaaiva nayo zvekuti vanhu vese
vakaratidza kuvhunduka
kusvika mukadzi uya abvisa
chijira ndokuona ari Melly.

Melly...... Pamusoroi
ndinodawo kukumbira kuti
mundiregererewo pane zvose
zvandakakutadzirai. Ndakuda
kunamatao Mwari wenyu
akakurwirai mukutambura
kwese kwamakaita asi tariro
hamuna kurasa

vanhu vese vakabva vamuudza


kuti takuregerera kare
chakakosha ziva mwari
hupenyu hwako hwese. Haana
kutambisa nguva
ndokutogamuchira Jeso
ndakabva ndasimuka naDanai
ndokuenda paaiva
ndokumbundira.

*AFTER ONE YEAR*


_King vakazoshaya Leon
ndokuiswa pahumbo uye Danai
ainge abatsirwa mwana
mukomana uyo wavanopa zita
rekuti Daleroy..Uye paPalace
zvinhu zvainge zvakuendeka
zvakanaka sezvo painge
pasisina munhu aibata
mushonga_
_Mia ainge avavo nemwana
wake akugarawo nemurume
wake hupenyu huchiendeka
sezvo vainge vakomborerwa
nanyadenga rekuwana basa
uye vainge vakugara kuSA
vese._

_Melly akainge azoroorwa


naguardwo wepalace
achiraramawo hupenyu wake
hwakanaka sezvo ainge
ajamuchira Jesu._

_Tania naAshie handina


kuzombonzwa nezvavo futi uye
neteam ravo tese_

_Ini ndainge ndichiri


ndakazvitakura,,,rudo haruna
kumbobvira rwapera pakati
pangu naTynash rwaiwedzera
zuva nezuva sezvo ndaiziva kuti
uyu murume wangu saka
ndaimupa chigaro chake uye
kunamata ndiko kwainge kwava
kudya kwedu paPalace apa uye
pese pandaiva
ndaingorumbidza Mwari
nekuratidza hukuru wavo
muhupenyu wedu uye ndainge
ndadzidza zvakawanda kuti :_
_OUR GOD WORKS IN
MYSTERIOUS WAYS_

_GOD IS OUR ONLY SOURCE


OF POWER AND STRENGTH_
*END OF STORY*

_Thank you all for


supporting us_

_MAY THE ALMIGHTY


GOD BLESS YOU ALL_
uye Mwari vawedzere
pamakatapudza
muchitenga _this book_

You might also like