You are on page 1of 685

PACIFY

(Free_Chapters)

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562

*Chapter 1*

"Zvauri kuona mukomana aitifudzira


mombe akaenda ndafunga kuti iwewe
umbofana kuita basa racho tichitsvaga
umwe" said dad vachiudza mkoma
vangu.

"Aaah asi muri kujoker here.Inini


nezvandiri kufudza mombe never" said
Idriss.

"Zvauri zvipi uri kuzama kuti


chii.Pamusha pano ndini baba ndini
ndopa final decision.Wotoita
zvandataura"

"Nhai Baba Morgan madii manotaura


nevakomana vepamhiri apo kuti
vangaramba here.Uyu Idriss akabva
kupedza course yake ari kutsvaga
basa.Anozoritsvaga sei ava kuswera
kumombe" vakadaro mai vangu.

"Saka uri kuzama kundiudza kuti


unofunga kundipfuura right.Vana ava
vanotedzevera kahunhu kako
kakawora.Pane pandati Idriss
achafudza mombe kwehupenyu hwese
here.Zvandataura pekutanga
ndizvozvo apana chochinja.Ndaitoda
angoenda kumombe 2 days manje ava
kuenda week rese"

Akabva atosimuka mudhara


wangu.Ndakambofunga kuti anga
akadhakwa asi ndakaona anga asina
zvake.

"Idriss wotoita zviripo inga wani


shamwari yako Lenon anoenda
kumombe" ndakadaro.

"Iwe nyarara usandibhowa"

"Chero ukanditsamwira zvataura baba


wazvinzwa" ndakadaro ndichiseka.

"Iwe Pacify chii chinosekesa panyaya


iyi.Simuka ipapo unogeza mandiro
ndisati ndakurova" mom said nevoice
riri pamusoro zvekuti
ndakatombovhunduka.
Ndakasimuka fast ndikanoita
zvataurwa namhamha.Ndakademba
kuti dai mkoma Mogidza varipo ndivo
vanokwanisa kudzikamisa mai
namudhara.Dai ndine foni
ndatovafonera ndavaudza zviri kuitika
nekuti vamwe tava kutoitirwa hasha
nenyaya isina nebasa.Manheru
mudhara vakauya vakapera nedoro.

"Baba Mogie munoda kusvika rini


muchinwa manwiro iwayo" vakabvunza
mhamha.
"Ndisiye ndimbodya mari dzemwana
wangu.Ndipe sadza rangu iwe"

Mhamha vakaramba vakanyarara


vakavapa sadza riya.

"Sadza rako rakatonhora ndochiii


chamuri kundiitira pamba pano" said
baba.Mhamha vakaramba
vakanyarara.

"Iwe Mai Mogidza hausi kunzwa


zvandiri kutaura here.Nhasi unondiona
zvekujairirwa handidi ungandipa sadza
rakatonhora ndiwe unoshanda here"

"Ingondirova uone unofunga


ndinokutya here.Mwana wangu
Morgan ndiye anoshanda iwewe
wakagumisira kutenga chinhu pano rini
unongofunga doro rako"

"Kana uri iwe wagara hauna respect


neni.Ndakakuona unoda
kukwikwidzana neni pano vana
vakatarisa"
Ndakabata mhamha ruoko ndanga
ndava kutya vanogona kurohwa
nadaddy.Ivo mhamha vakabva
vandimbundira avana
zvavakataura.Mudhara akabuda
achingopopota zvekuti vaiva kumanext
door vanotozvinzwa chete.Mhamha
vakanditora vakaenda neni muroom
mangu vakandiradzika.Zvimwe
nezvimwe mai vangu vaindida
zvakanyanya pamwe inyaya yekuti
ndini mwana musikana chete.Vakasiya
ndarara ,makuseni ndichimuka Idriss
anga atoenda kumombe.
Taitova paholiday ndaiswera pamba
kana kuswera tichitengesa
kumagrowth point.Mai vangu
ndivendor vanotengesa
madomasi.Mudhara aiswera kubhawa
achiuya kupopota manheru
takagumisira tazvijaira isu.Kwava
kusviba Idriss akabva kumombe haana
wakataura naye akasvika kuzvivharira
muroom mangu.

"Enda unoshevedza Idriss ndiri


kumuda pano"said mom

Ndakaenda ndikazama kuvhura door


rake asi rakaramba.Ndakanoka
akaramba kuvhura mhamha
vakazouya vega ndiko kuvhura
kwakaita.Takaona achichema
ndakashaya kuti nyaya yekufudza
mombe inochemedza here.

"Iwewe Idriss unopengawo uchakura


rini" i said ndichiseka mhamha
vakabva vanditarisa nerimwe ziso
ndikabva ndanyarara.

"My son chiii chiri kunetsa"


"Mhamha I'm not feeling well"

"Chiii futi"

"Musoro wangu kani ndakufa ini" he


said.

Ndakanzwa tsitsi ndakanotora mapills


emusoro ndikamupa.Asi
chakandinetsa haana kunwa
akangoisa muhomwe.

"Ko inwa ukaisa muhomwe ndiko kuti


upore here" said mom

Akabva anwa achibva arara.Mudhara


vakabva vasvikawo vanga vasina
kunyanya kudhakwa.Vakananga
kudanga vachitarisa mombe dzavo.

"Pane mombe isipo apa" said baba.

"Maswera sei baba Morgan" said mom.

"Ndaswera zvakanaka mukadzi


wangu.Kuona ndauya kudai hakuna
kunaka"

"Kwaipei"

"Chimbondipawo dollar"

"Rei futi"

"Ndoda kutenga super"

Mhamha vakangotarisa
mudhara.Vakapihwa mari yacho.
"Idriss buda apa ndikutume" said baba.

"He is not feeling well"

"Kunyepera uko kusada kuenda


kumombe munoti ndakapusa here"
said baba.

Idriss akabuda but ainzwisa tsitsi


akanzi enda unotenga super uuye naro
nekukasika.Ndakaona ndega kuti
aisanzwa bhoo ndakamuti ndipei
ndinotenga hangu.Ndakamhanya
pasina nguva ndanga ndatodzoka.

"Idriss mangwana uuye nemombe


dzakakwana.Handidi munhu tsotsi
zvekunyepera kurwara ngazvipere
nhasi" said dad.

Idriss haana zvakataura akaramba


akanyarara.Manheru pamba pakasvika
Mai Lenon.

"Maswera sei Mai naBaba Dzoto"


vaidaro vachimhoresa vabereki vangu.
"Tiri nani ko kwakanaka here kutitsika
manheru ano" vakabvunza mai vangu.

"Mai Dzoto kuona ndauya zvinhu


azvina kumira mushe"

"Kwaitikei futi asahwira"

"Ndauya kuona Idriss sahwira


waLenon"
"Idriss huya pano" mom vakamudaidza
akabva auya.

"Idriss wamboonawo kune umwe wako


here.Abuda makuseni achienda
kumombe nanhasi haasati
adzoka.Ndiwe sahwira wake unogona
kuziva kwaari"

Idriss akatora nguva yakareba asati


apindura.

"Asi nzeve dzakavhara here


Idriss.Don't tell me kuti hauna kunzwa
zvataurwa naMai Lenon" said baba.

"Ndazvinzwa but ndiri kuzama kufunga


kuti angava aenda kupi nekuti
tagumisirana kuonana makuseni" he
said.

"Ko hamuna kuenda mese here.Ko


pamasangana pacho ati ari kuendepi"
baba vakabvunza.

"Hatina kumbotaura nyaya dzosvika


kure.Taenda kwakasiyana baba"said
Idriss.

"Ndofunga mazvinzwira aaah


vakomana here ndozvavari Mai Lenon
don't worry achadzoka anogona ane
zvisikana.Uyu Idriss anombozviitawo
zvekunonoka kudzoka kumba" said
baba.

Mai Lenon vakabva vabuda


vakaperekedzwa namhamha.Manheru
iwayo Idriss akaramba kudya sadza
ndakashaya kuti chii.

"Ndakuudzai handisi kunzwa


zvakanaka"

" ukaona munhu mutema aramba


sadza nenyama anenge arwara
zveshuwa" i said mhamha vakabva
vatanga kuseka.

"Pacify mangwana uchimuka ndoda


uende kwaMai Lenon unopihwa mari
yangu vakasokwereta madomasi angu
kudhara havasati vangondipa mari
yangu" said mhamha.
"Wobva wandipa $1 ipapo ndiwanewo
kutonhodza huro yangu"

"Nhai Baba Mogie ndambokupai


wani.Zvingabuda here kuti ndoramba
ndichikupai ndinosara ndiri broke "

"Kana usingadi unotaura Mai Mogidza"

Ndakaenda kunorara ndakasiya vaviri


ava vachitaura nyaya dzavo.Makuseni
ndakamuka kutsvaira pachivanze
ndipo pakabva pasvikawo Mai Lenon.
"Magona matouya ndaitoda kuuya
kumba kwenyu kutora mari yamhamha
yemadomasi"

"Oooh unozouya masikati.Nditori


worried Lenon haana kudzoka kumba
nezuro manheru.Ndauya kuona Idriss
ndoda andiudze zvavakagumisira
kutaura vese nekuti moyo wangu
hauna kugadzikana" she said.

Ndakashevedza Idriss akabva


auya.Aitoratidza kuti achitori nehope.
"Idriss wakati wakagumisira kuona
Lenon nezuro makuseni right"

"Yes"

"Okay ndiri kuda kubvunza kuti


pawakataura naye aiti chiii airatidza
kuti kune kwari kuda kuenda here"

"Aaah akangoti ari kuda kunofudzira


nechekuseri kwegomo iro.Ndakamuti
ngatingosanganisa mombe tifudze tiri
pamwe chete akati taizozviita
mangwana acho kureva nhasi.Maitiro
ake anenge aiva pahurry kunga pane
someone waida kunoona"

"Hooo okay ane musikana here"

"Haana musikana but ane wanoda asi


hasati asvitsa shoko"

"Anonzi ani"

"Sarudzai"
"Okay mira ndisvike pamba pana
Sarue ndinogona kuwana kaclue.Iwe
Pacify hande ndobva ndanokupa mari
yamai vako" she said.

Ndakasiyana zvandanga ndichiita


tikaenda nekumba kwana
Sarue.Takasvika pangori namai vacho
chete iye wacho hatina kumuona.

"Ko Sarue aripi wandisina kumboona"

"Akaenda kwatete vake kumhiri uko"


"Akaenda rini"

"Ava ne 3 days aenda kwakanaka


here" said Mai Sarue.

"Hooo sorry kwakanaka ndaida vari 2


naPacify vandibatsirewo kuwacha
machira angu"

"Aaah maita munyama"


Takaenda kumba kwaMai
Lenon.Takasvika Baba Lenon varipo
vachigadzira bhasikoro ravo.

"Ko hanzi chii" vakabvunza.

"Maonero andazviita Lenon anenge


akatevera Sarue kwatete vake"

"Sarue upi kumutevera kuti zviite sei"

Mai Lenon vakatsanangura zvataurwa


naIdriss.Vakandipa mari yamhamha
ndikarova pasi.

Ndakasvika mhamha vadzoka kubva


kumaprayers avo emakuseni.Mudhara
vanga vachakarara vainonoka kumuka.

"Ndoda kukutuma nemadomasi aya


unopa mufundisi" said mhamha.

"Okay mhamha mondipawo $1


rekutengawo drink"
"Ndokupa mwanangu unoterera" said
mom.

Hameno mudhara vanga vamuka


nguvai vanga vakamira pamusuwo
vachiratidza kuti vanzwa zvese.

"$1 rauri kuda kupa Pacify ndipe


kuno.Anoda kunwa drink rei mwana
mudiki uyu ngaanwe tea " said baba
vangu.

"But dad hazvisi fair aah" i said


"Iye mufundisi wenyu akambokoshei
nhai.Munobva maita as if ndiye Mwari
wacho.Last time pakauya pano
wakamupakurira chikafu mundiro
dzeglass dziya asi ini unondipakurira
dzesimbi usafunga handizvioni"

"Baba Morgan kwakanaka here"

"Hakuna madomasi anoenda


kwamufundisi ndatopedza
newe.Handichadi kuona tsoka yake
pano iye mufundisi wenyu"
Baba vakabva vabvuta dollar randanga
ndapihwa vakabva vatoenda
kubhawa.Ukaona vatoenda
unozotovaona manheru.Mhamha
havana kutevedza zvakataura
mudhara vakandipa madomasi aya
ndikaendesa.....

*Drop your comments please*


Watch out for chapter 2
*PACIFY*

https://chat.whatsapp.com/FeUuKq8N
DMc8Osshxfjk3K
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 2*

*Mai Lenon*

"Ndaizviziva chete kuti mwana wako


ari kuzvisikana zvake.Tingaswera
kutemeswa musoro nemunhu ari
kutevera vasikana vake" said Baba
Lenon.

"Moyo wangu uri kundirambira ini"

"Mai Lenon usatemeswa musoro


nezvisina basa anodzoka uyu.Ava
munhu mukuru anouya"he said.

Vakabva vatobuda vachienda kubasa


kwavo.Kutaura chokwadi hana yangu
yaingorova.Ndaisamboda chimwe
chinhu chiitike kumwana wangu ndiye
ega.Ndakaswera maziso akaringa
kuroad ndichiti ndichaona mwana
wangu ava kuuya.Zuva rakasvika
pakutopera kureva kuti dzava 2 days
Lenon asati angodzoka.Sadza
ndakabika ndikapa baba Lenon ini
rakaramba kudzika pahuro.

"Mai Lenon please idya unoda


kundifira pano here"

"Baba Lenon ndiri worried mwana


wangu kani" i said ndava kutochema.
"My wife don't worry anodzoka
kani.Ukachema unenge wava
kumushuvira zvakaipa"

Baba Lenon vakabva vatanga kudya


chikafu chavo.Vaisamboratidza kuva
worried zvavo vairatidza kuti zvinhu
zvese zvitiri normal.Mubedroom
murume wangu akada kundibata bata
achida bonde ndakaramba ndaisatova
mumood.

"Baba Lenon hautonyari here uri


kufunga kufadza nyama tisiri kuziva
mwana aripi.Hausi kutomboita effort
yemutsvaga" i said.

"Mai Lenon uri mukadzi wangu kana


uchiti haudi unorevei
manje.Handichadi kunzwa nyaya
yaLenon wanzwa here ndambonyarara
ndichiti uchandinyarawo.Unoda ndiise
effort yei munhu ari kuvasikana vake"

"Zvakaoma hazvo" i said ndikabva


ndanyarara nekuti ndaisada kuita
nharo nemurume wangu.

Ba Lenon akabva arara zvake


akafuratira anga atogumbuka.Handina
kumboita basa nazvo ndaifunga
mwana wangu.Kuchiedza ndakamukira
kuita basa rangu ndichipedza Ba
Lenon anomuka.

"Mamuka sei daddy" i said but


vakaramba vakanyarara.

"Baba Lenon"

"What!!! taura nyaya yako Sekai" he


said.
"Iiih zvakaoma ndiri kuda kukuudzai
kuti ndiri kuyambuka mhiri uko"

"Mhiri kupi"

"Uko kumba kwana tete


vaSarudzai.Anogona ari ikoko Lenon
ndikamushaya ndinobvunza Sarudzai"

"Okay ukurumidze kudzoka" he said


vakabva vatobuda.
Ndakagadzirira rwendo rwangu paiva
nekamufambo.Ndakatozviudza kuti
handingafambi netsoka kuri kupisa
kudai.Ndakabuda pamba atova
masikati ndikaenda
kubustop.Ndakasangana naMai Dzoto
vaine mwanasikana wavo.

"Mai Lenon uri sei" she said.

"Handina mufaro ini zvauri kuona"

"Hindava asi mwana haasati


angodzoka nanhasi here"
"Ehe ndiyo nyaya iri kundinetsa apa
baba vacho vari kuratidza kusamboita
hanya nazvo"

"Nhai Mai Lenon makadii kuendesa


nyaya iyi kumapurisa"

"Aaah mira ndakubva kwandiri kuenda


ndichananga nekumapurisa nekuti
nhasi rava zuva rechitatu asati adzoka"

"Okay Mai Lenon pamunodzoka


munouya nepamusika pangu
ndokuperekedzai.Ivo vana ava
vanotiparira vanomboendepi vasina
kutaura"

"Lenon akamukira kuenda kumombe


asikana but haana kudzoka.Mwana
wangu hambononoki kuuya kumba
saka izvi zvakandirovesa nehana
something is wrong chete" i said.

"NaMwari wandinonamata mwana


wenyu munomuona musatya" she said.
Takapesana ndikapinda
mucombi.Ndakasvika kuma area
andaida but problem yanga yavapo
ndaisatoziva kumba kwatete
vaSarudzai.Ndakaswera
ndichitenderera ndichibvunza apana
aitoziva ndakambofunga
ndarasika.Ndakasvika nechekurwizi
pandakaona mombe dzekumba
kwangu moyo wangu wakanzwa
kufara.But ndakazozvibvunza kuti ko
Lenon ava kuuya kufudzira mombe
kure kuno why.Ko ari kufudza achigara
kupi.

"mkomana iwe ko ane mombe idzi


aripi"

"Aah moms handizive kuti ndedzani"

"Okay ko vanonzi tete vaSarudzai


unovaziva here"

"Vana tete vaSarue vakawanda muno


muri kureva vapi"

"VekwaMuchena"
"Hooo avo vanogara pamhiri peroad
paside neshop yakanzi Choga"

Ndakamutenda ndikabva ndatofambisa


kuenda nekuti nguva dzanga
dzafamba.Ndaisada kuzosvika usiku
kumba yaizoita nyaya naBaba
Lenon.Ndakasvika pamba patete
vaSarue ndikaona Sarue ari kudya
mupunga.

"Aaah Mai Lenon matitsika


kwakanaka" she said achinditambira.
"Aaah ndangoti regai ndipfuure
ndichiona tete vako" i said
ndichimutarisisa kuti ndiye chaiye here
aidiwa nemwana wangu.

Pana Sarue handina kuona


chinoshoreesa mwana wangu ane
good choice.Ndakanzwa kumufarira
Saru wacho chero havo vasati
vakudanana.

"Tete havapo vanouya manheru maita


munyama"
"Eish saka pakaipa" i said ndichitsvaga
matangiro enyaya yangu

Sarue akasimuka akapinda mukitchen


akandivigira chikafu.Apa ndakaona kuti
ndipo pane zvemunhu ano deserver
kuita muroora wangu haasi
selfish.Ndakadya chikafu chiya
tichitaura nyaya.

"Ko iwe ndakanzwa kuti wakauya


naLenon kuno"
"Akandiperekedza uyo" she said
akatarisa pasi achinyara.

Pakataura mashoko aya ndakanzwa


kugadzikana zvaireva kuti mwana
wangu ari kuno.

"Saka aripi Lenon wacho"

"Aaah mhamha kana muchiti aripi muri


kurevei.Lenon ndakagumisira
kumuona 4 days ago
pakandiperekedza" she said hana
yangu yakabva yarova.
"Atova ne 3 days asina kuuya "

Sarue akashamisika
nezvandakataura.Akabva baya baya
foni yake ndakaona ava kuzama
kufona.

"Ko uri kufonera ani"

"Lenon"

"Saka uri kuziva kune mwana wangu


uchinyarara hako nhai" i said
ndatogumbuka.

"Mhamha handi...."

"Just tell kune mwana wangu chete


zvimwe handina basa nazvo"
ndakadaro iye akabva aramba
akanyarara.

Akaramba achingozama kufona


achitenderera panzvimbo 1.
"Mhamha handizive kune mwana
wenyu.Munhu anoziva kune mwana
wenyu ndiIdriss sahwira wake"

"Kana uchiti Idriss ndiye anoziva uri


kurevei.Iye akati ndiwe unoziva saka
moda kundiita benzi nhai kana mune
zvamakaita mwana wangu
muchataura"

Ndakabva ndatosimuka kuenda


kumacombi.Ndanga ndatogumbuka
vana ava vaida kutamba nepfungwa
dzangu.Idriss naSarue vanoziva kune
mwana vangu havasi kuda
kutaura.Ndakapinda mucombi
ndikadzikira pamusika waMai Dzoto.

"Mai Dzoto something is fishy chete


Idriss naSarue vari kuziva kune mwana
wangu ini ndava kuenda kumapurisa
vachataura havo"

"Hezvo Idriss akati haazive wani paya"

"Mai Dzoto motonotaura nemwana


wenyu ndakatogumbuka"
Ndakaenda kumapurisa Mai Dzoto
vakasara pamusika pavo.Ndakataura
nyaya yangu sezvairi pasina
kuwedzera mukati.

"Mwana wenyu anonyanya kuwirirana


nani"

"NaIdriss Dzoto"

"Okay chiendai henyu.Tokuudzai


zvizere tamboita maresearch edu"
Ndakabuda kuenda kumba mufaro
chaiwo ndanga ndisina.Ndakasvika
kwatosviba murume wangu anga
atobva kubasa kwake.

"Handina kuti ukurumidze kudzoka


here.Kuchiri kutsvaga Lenon here kana
kuti pane zvawava kutoita"

Ndakaramba ndakanyarara zvangu iye


akabva andibata.

"Hauna kunzwa zvandataura here iwe


Mai Lenon"

"Baba Lenon dai muri umwe


mabvunzawo kuti ndawana mwana
here.Ndiri worried ini "

Ndakavaudza zvese but


chakandishamisa havana
zvavakataura vakapinda mumba vari
zii.Ndakatevera ndikaona shasha
yakagara pasofa yakabata
shaya.Handina kuda kuvanetsa
ndakavabikira chikafu vakadya
zvavo.Asi mood yavo yanga yatochinja
kubva zvandavaudza zvaitika.

Makuseni kuchiedza ndakaona


mapurisa ari kumba kwana Mai Dzoto
vachitaura naIdriss.Ndakatoziva vava
kuita basa ravo.Baba Lenon
vakamukira kubuda havana kutaura
kuti vari kuenda kupi.Ndakaswera ndiri
pamba pangu ndichimirira feedback
kubva kumapurisa.VaDzoto vakabva
vasvikawo pamba pangu vachipopota.

"Saka imi muri kuzama kuti mwana


wangu Idriss ndiye akanyangaritsa
Lenon here.Muri kuzama kudii chaizvo
hee aripi murume wako" he said.

"Handina kumb......"

"Siyanai nefamily yangu muri


kuzvinzwa.Musafunga handisi kuziva
muri kuda kuframer mwana wangu
pakushaikwa kwemwana wako.Inga
wani akati haazive kwaari unoda
aporofite kwaari here"

"VaDzoto zvamuri kufunga hazvisizvo"


"Saka mapurisa auya kubvunza
mwana wangu kuti zvidii.Iye ati
haazive vakumuvhunditsira
kutoira.Zvinoreva kuti iwe pawakaenda
kumapurisa wakanoti Idriss ndiye
achekeresa mwana wako right" he said

Murume uyu aitova problem.Ndaitoita


as if ndicharohwa ndakaona kuti
kunyarara ndiyo best
solution.Achingobuda murume wangu
akabva asvikawo nemapurisa.Asi
maziso emurume wangu anga akaita
red.....
_drop your comments_

Watch out for chapter 3


*PACIFY*

https://chat.whatsapp.com/FeUuKq8N
DMc8Osshxfjk3K
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 3*

*Pacify*
Nyaya yekushaikwa kwaLenon
yakatombopinza Idriss busy.Mapurisa
vakasvika pamba vachibvunza
mibvunzo yavo kuna Idriss.Zuva rava
kuvira ndakaona kumba kwaMai Lenon
kwakazara vanhu.Zvinhu ndagara
ndaizvidawo ndakasiya zvandanga
ndichiita ndikamhanyira kumba kwamai
Lenon kunoona zviri kuitika.

Ndakasvika Mai Lenon vari kuchema


vakabatwa namai vepanext.
"No mwana wangu haana kufa no no
muri kunyepa"she said.

"My wife Mwari vaita kuda


kwavo.Lenon is nomore" baba Lenon
said.

Pandakanzwa izvi ndakatanga


kuchema.

"No ndiendesei kwaari ndoda kuona


nemeso angu" she said.
Mai Lenon vakatorwa vanhu vakatanga
kutevera kumashure.Ndakatoti apa
handisariwo ndakatevera ndiri
mumashure.Takafamba kamufambo
tikasvika kwaiva dziva rakadzika
zvekuti kwasatombotambira
vanhu.Takasvika patori nemamwe
mapurisa vaine coffin resimbi.

"Mwana wenyu awanikwa mudziva iri"

Pakavhurwa coffin resimbi riya Mai


Lenon vakabva vafenda.Ndakatoona
ndega kuti kufenda uku kureva kuti
Lenon is gone zveshuwa.Coffin
rakatakurwa rikaiswa mumota
yemapurisa.Ndakadzoka kumba
misodzi iri pamatama.Mhamha vanga
vaenda kumusika kwavo.

"Idriss kani ndarwadziwa Lenon


hakusisina" i said ndichichema.

"Unonyepa wazviwana kupi zvauri


kutaura"
Ndakamutsanangurira akabva agara
pasi akatanga kuchema.Lenon
ndaisawirirana naye but aigara achiuya
pamba pedu achitamba na
Idriss.Ndaitomuona samukoma vangu
zvinorwadza kurasikirwa nemunhu
wawajaira kugara uchiona
everyday.Handizive Mai vacho
vaizozvitambira sei ndiye ega anga ari
mwana wavo.

Mhamha hameno vakazvinzwa


sei.Vakamhanyira kumba kwamai
Lenon kunochema nevamwe.Kufa
kwaLenon kwakarwadza vanhu
vakawanda vaimuziva.Manheru
mkoma Mogidza vakatouyawo kurufu.

"Idriss hauna kumboenda kumba


kwaMai Lenon kunochema sahwira
wako nei.Vakomana vese variko
chiiko" vakabvunza mhamha vauya
kutora juzi ravo.

"Idriss tiri kuenda kunorara kumba


kwaMai Lenon anosara pano
ndiPacify" said mkoma Mogidza.

"Ndinotya kusara ndega ini" i said.


"Unozouya nababa vako" mhamha
said.

"Hazviite mhamha" i said.

Takabva taenda tese,kutaura chokwadi


Mai Lenon vakarwadziwa vanga
vanyarara vari zii.Pakazosvika
mutumbi manheru chaiwo vakatanga
kuiridza mhere.Pakachemiwa ini
ndakazobatwa nehope ndikazomuka
mangwana makuseni.Mkoma mogidza
vanga vaenda kunotsvaga huni
nezvimwe zvingadiwa parufu apa.

Zvinoitwa zvakaitwa asi


chakandishamisa Idriss pakanzi apewo
speech sasahwira wake haana
zvakataura .Ndakati zvimwe anyanya
kurwadziwa.Akaenda kunovigwa ipapo
ndakaona Idriss akabatwa nana
mkoma Mogidza anga achichema
zvainzwisa tsitsi.

Mudhara wangu anga aripo


nemasahwira ake.Sarudzai akauya
panga pava kuvigwa Lenon
aichemawo.Ndiye musikana aidiwa
naLenon.Mai Lenon vachiona Sarue
vanomhanya vachienda pana Sarue
vakamudzipa.

"You evil girl ndiwe wakauraya mwana


wangu ndiri kuzviziva" mai Lenon said.

"Hey mai lenon stop ndokudii kwavawa


kuita.Hatisati taviga mwana iwe wava
busy kupumha vanhu" vakadaro tete
vaLenon.

"Akauraya mwana wangu tete kani"


she said vachichema.

Baba Lenon vanga vari zii asi waitoona


wega kuti shasha yabaiwa
pamoyo.Lenon akavigwa zvakanaka
but nyaya yakazosara pana Mai Lenon
vanga vakungotaura vachituka family
yana Sarue.Iye Sarue haana
zvakataura pakatovigwa Lenon anga
atobva.Ndakaenda kumba ndikapfuura
ndichiona Sarue.Ndakasvika akabata
banga achida kuzvibaya pahuro apa
mai vake vanga vakapfugama
vachichema.
"My daughter please kuzviuraya
haisiyo solution" she said.

"Hapana reason yandichararamira


panyika.Mai Lenon vandipumha
pakazara vanhu kuti ndini ndauraya
mwana wavo.Ndomuurayirei hangu
mhamha apana reason yekurarama
nekuti nemi mava kutukwa nekuda
kwangu"

"Ukazviuraya vanhu vanozotobvuma


kuti ndiwe wakauraya Lenon.I know
hausiwe wakauraya Lenon but prove
your innocence uratidze kuti hapana
zvawakaita" i said ndichifamba kuenda
pedyo naye.Ndakamubvutira banga
riya akavarairwa.

"Pacify uri mwana mudiki hapana


chaunonzwisisa.Vanhu vanondijairira
nekuti handinawo baba vanondimirira
mai vangu ava pamwe pacho
zvinovaremera" said Sarue.

"Be strong for your mother ndozvinoita


hupenyu zvinopfuura izvi.Kana paine
akauraya Lenon zvichabuda pachena"
i said ndikabva ndabuda kuenda
kumba.

"iwe wanga uchibva kunoitei kumba


kwana Sarue.Wanzwa zvichinzi ndiye
akauraya Lenon iwe wava kuda
kutamba naye nei ngazvipere nhasi
umuudze handide kumuona pano" said
dad.

"Baba hamutaure muchidaro.Hapana


ane humbowo hunotaura kuti Sarue
ndiye akauraya" said mkoma Mogidza
"Unoda nditaure chiita sei.Usaita
kunga waisava kumakuva uko hauna
kunzwa zvataura Mai Lenon.Sarue
aisava parufu apa munhu
azongobudikira tava kumakuva unoti
akachena here.Mai Lenon vatori
correct" said dad.

"Baba nyaya yenyu handidi kuinzwa


ngaipere zvayo please.Mangwana
ndomukira kuenda nekuti ndinenge
ndichidiwa kubasa uko"

"Mogidza iwewe nditori neimwe nyaya


yandikuda kutaura newe" said dad.
"Inyaya yei"

"Wava ne 27years hauna mukadzi


wakufana kuroorawo takuda vazukuru"

"Don't worry very soon"

Mhamha vakauya vakatanga kutaura


namkoma Mogidza.Idriss haana
kumbotaura nemunhu pakabva
kurufu.Kana kudya chaiko kwaitonetsa
unoita zvekumumanikidza.Pasina
nguva Mai Mufundisi vakabva
vasvikawo pamba pedu vaibva
kunobata maoko.Dad vakabva vatarisa
mhamha nerimwe ziso.

"Eeh mai mufundisi titambire" said blaz


Mogidza

"Long time mwanangu zviri sei"

"Ndiri nani masiya vari sei prophet


ndichapfuura ndichivaona makuseni"
Mkoma Mogidza vakandipa mari
ndikanotenga chingwa mai mfundisi
vakapihwa tea vakanwa.Havana
kugarisa vakabva varova pasi.

"Mabikira Mai Mufundisi tea inini


chaiye nhasi handina kumboinwa.Muri
kumbozama kuita sei chaizvo nhai
Mogidza.Dollar rawatenga chingwa dai
wanditengera super zvaitova nani"

"It's sign yekurespecta vaenzi


baba.Don't worry mari yemasuper
ndokusiirai"

"Vaenzi vapi vanhu vekwamufundisi


ndakavabhana pano.Mai Mogidza
ngazvipere izvi"

"But dad tikaenda kumba kwavo


vanotibatawo zvakanaka" i said.

"Ngakanyarare kanoti kuonda wanzi


utaure nani ibvapa" said dad.Ndakabva
ndaenda pana mhamha ndatsamwa.
"Baba kana zvirizvo zvamunoita
ndisipo hazvina kunaka.Handioni
chatadza mhamha I hate kuona mai
vangu vachishoorwa inga vanoshanda
why musingavatendiwo" said mkoma
mogidza.

"Iwewe wakanyanya ukapusa ndaona


musha wako watongwa nemukadzi."he
said vakabva vatobuda ndakaziva kuti
kubhawa kwaendwa.

"Pacify tora mari iyi wozotengawo


zvaunoda" said mkoma vangu.
Ndakatarisa mari yacho yanga
yakawanda yekuti ndaikwanisa
kutenga madress maviri
nebhutsu.Mhamha vakapihwa
yavo.Makuseni mkoma vakamukira
kuenda.

Mhamha vakaenda kumusika


semazuva ose mudhara
kubhawa.Mhamha vakadzoka masikati
ameno vaida chii..

"Iwe Pacify mari yangu iripi"


"Mari ipi futi"

"Mari yandakapihwa nezuro ndakaisa


apa handichaiwani" said mom

"Munogona makanganwa pamakaisa


mhamha"

"Kuti kudaro here"


Mhamha vakatsvaga pese asi havana
kuiwana.

"Havasi dad vatora here"

"Zvimwe tingataure baba vako havatori


mari yangu vasina kukumbira.Ko Idriss
ambopinda muno here"

"Aah handizive angori kuroom kwake


uyu"

Takaenda kuroom kwake tikasvika


asimo.Mhamha vakarwadziwa
nekushaya mari yavo.Vakadzokera
kumusika kwavo.Ndipo pakabva
pasvika Idriss neumwe musikana
wandisina kuziva.But musikana iyeye
airatidza kuti mudiki
kwandiri.Vakavharirana zvavo but
zvakandibhowa Idriss akaratidza
kujairira mhamha nadad adii kuzviitira
kusango uko.

Kungoti handina foni dai ndakatofonera


mhamha.Sarue akabva asvika pamba
pedu ameno aibva kupi asi waitoona
wega kuti mufaro apana.
"Pacify where is your brother Idriss"

"Kwakanaka here asikana"

"Akaudza mai Lenon kuti chii.Ane


zvakaudza mai Lenon that's why vari
kuti ndini ndakauraya mwana wavo"

"Aaah arimo muroom make umo"

Sarue akabva aenda kunonoka padoor


paIdriss.Ndakateverawo ndichida
kunzwa kwaiyenda nyaya yacho.Idriss
panovhura door pakaona Sarue
anobva afinyama.

"Iwe Idriss wakaudza Mai Lenon kuti


chiii"

"Hapana zvandakavaudza ko iwewe uri


kumbovhundukei asi une zvawakaita
kani"said Idriss

"Iwe mhondi uri kudei pano.Pacify


ndakati chiii nenyaya yaSarue" said
mudhara vachitosvika vakabata
super.Apa kamusikana kaya kaiva
muroom maIdriss kanobatwa chete
nhasi.

Handina kufungira kuti


vachakurumidza kudzoka.Sarue haana
zvakataura akabva atoenda
hake.Haana kure kwakasvika anga
atemwa nedombo mumusoro
akadonha ndiye zii pasi
akadaro.Takatarisa kwabva dombo
riya riya tikaona ari......
_drop your comments_

Watch out for chapter 4


*PACIFY*

https://chat.whatsapp.com/CF1pxr8cw
CvJvAwMtQpAvW
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/
*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 4*

*Pacify*
Ndakatarisa ndikaona Mai Lenon
vachisvikawo.Ndakatoziva ndivo
vakanda dombo kuna Sarue.

"Wakaurayirei mwana wangu ndiudze"


said Mai Lenon vachienda pana Sarue
angoti zii ari pasi.

Ndakabvarura kamucheka kehembe


yangu ndikasunga musoro waSarue
wanga wakubuda ropa.

"Mai Lenon munhu uyu anogona kufa


better timumhanyise kuchipatara" i
said.

"Hey young girl sit down haafi ndisati


ndapedzerana naye.Sarudzai ndiye
wandiri kuzoda kuswatudza mirai
muone" she said.

Vakatora shamhu vakarova Sarue


anga akafenda kare ndakanzwa
tsitsi.Vakazomiswa nababa vangu asi
vakaramba.

"Panyaya yangu naSarue handide


anopindira pliz"

"Mai Lenon kana uchiti haude


anopindura unenge uchirevei.Uri kuda
kuuraya mwana uyu pamba pangu
here"

Baba Lenon vakabva vasvikawo


vakatora shamu yaiva mumaoko
emukadzi wavo vakarasa.

"Mai Lenon ndanga ndichikutsvaga


handei kumba tete vari kuda kutaura
newe" he said vakabva vatarisa Sarue
anga akarara pasi.

"Ko aitwa sei musikana uyu.Why


makamira mese musina
kumumhanyisa kuchipatara" ba Lenon
said.

"Ndini ndamurova handisati ndapedza


naye achandiudza hake chakaurayira
mwana wangu.Ndaimbomuona
semunhu kwaye iye atori
musatanist"said Mai Lenon.

"Mai Lenon ndochii chawaita haufani


kuita zvinhu nehasha.Do you know
imhosva here yawaita apa.Kana neni
mwana wangu ari kundirwadza Mwari
vatonga inga wakaudzwa kuti
akadonhera mudziva" said ba Lenon
vachinzwisa tsitsi.

Ndakasimudza Sarue ndikamuendesa


muroom mandairara.Ndakatora bucket
rine mvura ndikamupukuta ropa
akabva amuka.

"Pacify"
"Sarue relax"

"Can you tell me chii chaitika pandiri


ndiri kurangarira ndarohwa nechinhu
mumusoro.Ndiani anditema"

"Sarue dzikama ndokuudza.Now


tikufana kuenda kuchipatara unopihwa
mushonga"

Baba vangu vakabva vapinda


ndakatoziva kuti nyaya iya yatoshata
chete.
"Sarue wamuka chinzwa handidi
kukuona uchitamba nemwana wangu
Pacify.I mean handidi kuona tsoka
yako pano get out"

Sarue akatanga kuchema akabva


abuda akananga kumba
kwavo.Ndanga ndiri worried nekuti
ronda raiva mumusoro make ranga riri
deep anofana kuenda
kuchipatara.Baba vakabva
vatodzokera kubhawa
kwavo.Ndakamhanya kutevera Sarue
ndikamubata agara pasi akabata
musoro wake airatidza kuti
akurwadziwa.Ndakamubata ruoko
tikatanga kufamba low low kuenda
kuchipatara.Sarue akasvika achipihwa
bed muchipatara aida kusonwa panga
atemwa panga pavhurika.

Ndaingova nekafeeling kaindiudza kuti


Sarue ari clean panyaya yaLenon.Ko
Mai vake ndaizovaudza ndichiti
kudii.Kuti ndinotaura kuti mwana wavo
atemwa naMai Lenon yaizoita imwe
nyaya futi.Ndakaenda kumba
ndikasvika Idriss asipo.Ndakatoziva
kuti atobuda nekamusikana kake
kaya.Ndakaenda kumba kwamai Sarue
ndikasvika vasipo.Ndazviudza kuti
ndinofana kuvamirira ndivaudze kune
mwana wavo.Vakazosvika kwava
kusviba vane paper bag ranga rine
mabanana nerimwe ranga rine
madomasi.

"Sarue" vakadaidzira.

"Umm maswera sei" i said.

"Ndiri nani ko Sarue aripi"

"Ndiyo nyaya yandauya kutaura nemi"


"Nyaya yei uri kumboti chii iwe mwana
wamai Dzoto"

"Sarue ari kuchipatara kutaura kudai"

"What chii chaitika kumwana wangu hiii


Mwari pliz protect my daughter"

"Mwana wenyu ndangomutora akarara


pasi handizive kuti chii chaitika kwaari"
ndakanyepa.kuti nditaure zita raMai
Lenon ndakatya.Ndanga ndakuvatya
hangu nezvavakaita Sarue.

Mai Sarue vakabva vatoenda


kuchipatara vachifambisa.Ndakasvika
pamba pedu pari zii paitoratidza kuti
apana munhu.Ndakatanga kugadzirira
kubika sezvo kwanga kwava
kusviba.Mhamha vakabva vasvikawo
vachibva kumusika kwavo.

"Ndasangana naMai Sarue muroad


ndiudze chii chaitika Pacify"

"Sarue auya pano achida kutaura


naIdriss.Dad vasvika ari pano
vakamudzinga paanga akuenda
akabva atemwa naMai Lenon.But Mai
Sarue handina kuvaudza hangu"

"Hezvo Mai Lenon vapindwa


nei.Vasvibisa zita raSarue kumusika
uko inongova Sarue akauraya Lenon"
said mhamha vachiratidza kurwadziwa.

"Saka iwe chisara uchibika ndiende


kunomuonawo kuchipatara ndodzoka
manje manje" she said vachipfeka
bhutsu dzavo.
Mhamha vakabva vaenda.Idriss
akabva asvika akabata paper bag
handina kuona maiva
nei.Ndakasimuka kuenda pedyo naye
ndichida kuona maiva nei akabva
ahwandisa asi haana kuziva kuti
ndanga ndatoona kare.

"Mari yekutenga bhutsu waiwana kupi"


ndakabvunza.

"Pacify mind your own business"


"Haaa iwe pindura zvandabvunza
nekuti pano pane mari iri kushaikwa"

"Saka uri kuzama kuti ndini ndaba


here"

"Ndambodaro here nhai iwe.Usandiitira


hasha dzisina nebasa ndoda kuvaudza
mhamha vadzoka kuti ndiwe waba
mari yavo"

"Pacify zviedze uone zvandokuita" he


said akabva atopinda muroom make.
Mhamha vakadzoka kwasviba vaina
mudhara.Vakapedzisa kubika vari zii
ndakashaya kuti vaitwa sei.

"Idriss wamboona mari yangu here"


vakabvunza mhamha.

"Kamwana kenyu kanonyepa


kakuudzai kuti chii.Pacify wakajaidzwa
wanzwa", said Idriss achiita hasha.

"Pacify aita sei iwe.Pindura


zvandabvunza"

"Mwana wenyu ndiye atora mari


yenyu.Ndamuona achipa Sarue mari
iyoyo"

"Ndaizviziva kuti Sarudzai iproblem


chete.Izvozvi akufurira Pacify
kuba.Wagarisa usingarohwi iwewe
Pacy nhasi ndoda kumbobvisa dzungu
iroro" said dad vangu vachibvisa
bhande ravo kuti vandirove asi
vakamiswa namhamha.
"Baba Morgan inini handioni ari Pacify
atora mari.Pacify haasati ambondibira
mari uyu even ndikamusiya kumusika
anongondipa mari yangu yakakwana
uyu Idriss ndiye atora mari atozvibatisa
ega" said mom.

"Mai Morgan usatora side.Mwana


hapupurirwe uri kuzvinzwa remember
munhu achada kuroorwa ko ukanzwa
kuti aba kwakaroorwa
tinonyarirepi.Pamusha pangu pano
hapaitwe zvisina basa"

Dad vakabva vatanga


kundirova.Ndakachema apa mhamha
vanga vangomira vakatarisa
ndichirohwa.Vakazobata havo
ndambonzwa.

"Mandirova henyu but handisini


ndatora mari yamhamha.Idriss
anonyepa uyu ndiye aba mari akabva
atenga bhutsu nyowani"

"Bhutsu dzipi" vakabvunza mhamha.

Ndakaenda navo kuroom kwaIdriss


tikashaya bhutsu dziya ndakatoziva
kuti adzihwandisa.Zvekuti mhamha
vakatofunga kuti ndiri kunyepa.

*Mai Lenon*

Kufa kwemwana wangu kwakandibata


bata pamoyo pangu.Ndaitadza
kuzvigamuchira kuti Lenon
hakusisina.Mafiro ake akandisiya ndine
question mark.Lenon aigara akaudzwa
nababa vake kuti asanofudzira mombe
kudziva iro.Zveshuwa Lenon
aisamboenda kudziva uko how cme
tozowana mutumbi wake ikoko.Pane
someone anogona akamuuraya
onomukanda mudziva chete.

Ndiani angaita izvi manje.Ndakazama


kufunga kuti ndiani akazviita asi zita
raSarue ndiro raingoramba
richitenderera mumusoro mangu.Ko
sei mombe ndakadziwana kumaraini
kwatete vake.Iye Sarue wacho sei
asina kuuya parufu akazongobatika
kumakuva.Kureva aida kuona patiri
kuviga mwana wangu kuti
azonomudya nhai.Ndainzwa
mazihasha akanyanyisa ndaitonzwa
kuda kumurova andiudze why
akarauya mwana wangu.Pandakaona
Sarue achibva pamba pavaDzoto
ndakamutema nedombo.

Dai asiri murume wangu akauya


kuzondibata ndaida kupedzerana
naye.

"My love dzidza kuzvidzora.But pakufa


pemwana wangu ndine one suspect
munhu iyeye akarohwa anotaura
anogona asina kuuraya but akaona
mwana wangu achiurayiwa" said Baba
Lenon

"Hakuna imwe suspect inopfuura


Sarudzai"

"Idriss handisi
kumuchenesa.Ndakatadza kuita care
nemwana wangu unoziva ndaifunga
kuti zvimwe akaenda kumba kwatete
vake mhiri uko that's why ndaisabatika
nazvo.Truely speaking ndiri
kurwadziwa mukadzi wangu nhaka
yangu ndichasiira ani.Kune akaita izvi
kumwana wangu hazviperi mushe
ndinopika namai vangu vari pachuru"
baba Lenon said vachipukuta misodzi
yavo.

"Ndozvinzwisisa hangu but Idriss uyu


haana mhosva uri kufungira munhu
asiriye.Ko sei mombe ndakadziwana
kumaraini ekumba kwatete vaSarue"

"Anogona akaurairwa kuno.Mombe


hadzigare panzvimbo 1 dzinofamba
inga unozviziva"

"Ko sei asina kuuya parufu.Do you


know Lenon aida Sarue"

"Pakusauya parufu ndipo pane


question mark.Mira chokwadi
ndochitsvaga inini iwewe rest usaita
something"

"Totsvaga tese mhondi dzacho"

"Mai Lenon iwe hapana chaunotsvaga


hona wanga woda kuuraya Sarue.Une
hasha too much ndosaka ndati mira ini
ndiite zvese ndinenge ndichikuudza
kuti ndava papi"
"Okay kwacho" i said ndikabva
ndanyarara.

Baba Lenon akabuda panze akatanga


kutaura natete Sebi handina kunzwa
zvavaitaura.Tete Sebi vakauya
nechikafu.Ndaisambonzwa kuda kudya
but vakandinyengerera
ndakazongodya zvekuvafadza chete.

"Tete Sebi ndiperekedzei kumba


kwamai Sarue but plizz musazoudza
baba Lenon"
"Tiri kuenda kunoita sei ikoko"

"Ndiri kuda kuvaona vese nemwana


wavo vandiudza why mwana wavo
akauraya mwana wangu.Mwana
wangu haangofi like that zvotopera"

"Ndiri kutorwadziwa nekufa kwaLenon


but muroora for now ndokumbirawo
umbodzikama nezvauri izvi unogona
kunovaitira hasha zvikazoenda
nepamwe"
"vanofana kuitirwa hasha ndokuti
vataure.Kana varivo zvekuripiwa
handidi vanonomutsa mwana wangu
pasina izvozvo tosvitsana kumapena" i
said ndava kuchema.

Tete Sebi vakandimbundira ndikatanga


kuchema.Mwana wangu andisiyira
ronda risingafe rakapora.Vakandipa
mvura ndikanwa pandakapedza
ndakanzwa hope ndikabva
ndatorara.Ndakapepuka kwatosviba
tete vanga vapedza kubika asi Baba
Lenon vanga vasati vauya.
"Tete ndiri kudzoka ndichambosvika
pamba pamai Dzoto"

"No hazviite uende wega


muroora.Murume wako akati
usafamba wega" she said.

Takabva tabuda tese tikananga kumba


kwaMai Sarue.

"Ndokumba kwamai Dzoto here nhai"


she said.
"Ndanga ndichida kuuya pano"

Takasvika pamba pacho pasina


munhu.Takapfuura nepamba paMai
Dzoto panga pana Pacify namai vake.

"Ko Mai Sarue naSarue vakaendepi asi


vakatiza kani"

"Sarue ari muchipatara,ndiko kuna mai


vake"
"Hooo ndichapedzerana navo
vadzoka"

"Sorry kupindira nyaya isinei neni but


Mai Lenon wadii wagara pasi
naSarudzai wambonzwa side rake"
Mai dzoto vakadaro.

"Obvious anondinyepera anoda


kurohwa zvakasimba ndokuti ataure
chokwadi"

"No kurova munhu haisiyo


solution.Inini advice yandokupa gara
pasi naSarudzai unzwe side
rake.Handifunge kuti angaita zvak..."

"Uri kudaro nekuti vana vako varipo


vese vakakwana.Hauzive pain
yekurasikirwa nemwana ndosaka uri
kudaro anyway gara ne advice yako
Mai Dzoto yangu naSarue haisi
kuzopera yakadaro" i said ndikabva
ndatanga kufamba..

Tete Sebi vakambosara vachitaura


naMai Dzoto ameno vaitaura
dzei.Vakazotevera vakandibata tava
kusvika kumba.
"Mai Dzoto vari right muroora"

"Hooo muri side raani"

"Ndagara ndiri side rako muroora"

Tichisvika pamba ndakaona mombe


dziri mudanga ndakashaya kuti dzauya
nani.Pandakaona Baba Lenon
ndakabva ndaziva kuti ndivo vauya
nadzo.Ndakaona vakabata pikicha
raLenon misodzi
ichiyerera.Pavakandiona vakapukuta
misodzi nekuhwandisa pic asi ndanga
ndazviona hangu.

_drop your comments_

*Watch out for chapter 5*


*PACIFY*
https://chat.whatsapp.com/IGzihwUNc
Am97BChVYz7bF
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
*Chapter 5*

*Pacify*

Nyaya yekuroverwa mhosva yandisina


kuita yakandirwadza.Zvakatoita kuti
ndivenge Idriss.Pandakamuka handina
munhu wandakataura naye even mai
vangu.Ndaiita basa rangu ndiri zii
pandakapedza ndakabva ndatoenda
kuchipatara kunoona Sarue.
"Pacify ndinoda kukutenda nerudo
rwako.Dai usina kundiunza kuno
hameno ndiripi"

"Uchitendei hako Sarue ndotokuona


sasis vangu
kutongobatsirana.Mangwana unogona
kuzondibatsirawo ndawirwa
nedambudziko"

"Pacify dama rako rakazvimba


wakaitwa sei ndiani akakurova"
akabvunza.

"Aah sorry ndakarumwa nemago"


"Pacify ndiri kuziva uri kunyepa pane
someone akakurova ndazviona
pawasvika even makumbo ako ane
mavara aya anoratidza kuti
ndeekurohwa"

Kuti ndimuudze zvakaitika


zvaisaita.Handiudze vanhu zvinhu
zvinoitika kumba
kwedu.Ndakangotsika tsika nyaya
yacho ikabva yapera.

"Ko hauna kundiudza kuti akanditema


ndiani"

"NdiMai Lenon, aaah sorry handizive"


ndakabata muromo but ndanga
ndatotaura kare.

"Mai vaya ndakambonyararira ndichiti


vachasiyanawo neni manje ndiri kuda
kuenda kumapurisa zvandichatouraiwa
nemhosva yandisingazive"

"Sarue siyana navo advice yandokupa


uchibuda muno enda unogara kwatete
vako wozodzoka mhepo yadzikama"
"Pacify hakuna kwandinoenda.Maoko
angu ari clean ndikaenda kwatete
zvinozoita as if ndatiza vakatofunga
kuti ndini ndakauraya mwana wavo"

"Ko zvinobatsirei kugara


uchishungurudzwa"

"Ndinoda kuita zvekuti vanhu vaone


kuti handina zvandakaita"

Sarue wacho aitova nenharo


ndakabuda kudzoka
kumba.Ndakasvika team repamba
richinwa tea.

"Ko wamukira kuendepi iwe"


vakabvunza mudhara.

"Ndiri kubva kumaprayers"

"Wadii wandiudza taenda tese


mwanangu" vakabvunza mhamha.

Idriss akangonditarisa haana


zvakataura.Ndakaenda muroom make
ndikaona bhutsu dzake dzaiva
pamusoro pewardrope.Ndakadzitora
ndikaenda nadzo kwavanga vari.

"Bhutsu idzi dzandaitaura" i said


ndichidziisa pamberi pamudhara.

"Ndaizviziva kuti Idriss ndiye akatora


mari yangu.Mazviona here baba
Morgan zvandaitaura uchiti ndiri kutora
maside makarova mwana asina
mhosva"
Baba vakaramba vakanyarara
vachinwa tea yavo.Pavakapedza
ndakaona vatora bhutsu dziya
vakadzidira paraffin vakadzipisa.

"Idriss manheru ndoda kudzoka


ndichinzwa wadzosa mari yamai
vako"said baba vangu vakabva
vatoenda kubhawa.

Manheru zveshuwa Idriss akadzosa


mari hameno akaiwana kupi.Mazuva
akafamba tikafonerwa tichiudzwa kuti
Baba Gamu vashaya vanova mkoma
vaBaba vangu.Takaenda kurufu asi
semataurirwo azvaiitwa vainzi
vakangoti musoro vakamuka
vakafa.Kufa kwaBaba Gamu
kwakanyanya kurwadza baba vangu
kaiva kekutanga kuona misodzi yavo.

"Ndarasikirwa nemunhu akandikoshera


hazvinei hazvo Mwari vaita kuda
kwavo" dad said.

Pakaita tete Mai Flo vakasimuka


vakataura mashoko akativhundutsa.

"Ndinoti mkoma vangu vazorore


murugare asi ndine mubvunzo" said
Tete Mai Flo

"Mubvunzo wei"

"Ko sei Morgan asina


kuuyawo.Ndatova ne question mark
pamwana wako Farai" said tete
vachireva baba vangu.

"Morgan takazama kumufonera asi foni


yake haisi kuita.Saka question mark
yako ndeyei" vakabvunza baba vangu.
"Wava munhu mukuru zvandareva
wazvinzwa" she said handina kunyatsa
kunzwisisa nyaya dzavo.

Baba Gamue vakasvika pakuvigwa


mkoma Mogidza
vasipo.Ndakatozvishayawo kuti sei foni
yairamba.Takadzokera kumba foni
yavo yairamba.

"Baba Morgan ndaona zvakakodzera


kuti titume Idriss atevere anoona kuti
Morgan ariko here"
"Ehe ipfungwa dzakanaka nekuti
nditori worried.Hama dzese dzava
kufungira zvisizvo pamwana
wangu"said dad waizovaziva kuti ndivo
vekumbofarisa here.Vanga vakaita
kusvava.

Idriss akamukira kuenda kwaishanda


mkoma Morgan.Aifana kudzoka zuva
rava kudoka asi haana
kudzoka.Ndanga ndava worried
kutaura chokwadi.Ndakamukira
kuenda kumaprayers ndiri muroad
kuenda ndakaona munhu akaita kunga
Idriss akagara pamwe pamba akabata
water glass.Ndakaenda pedyo
ndikaona ariye aine kamusikana
kaya.Ndakabva ndatoziva zita
rekamusikana aka kainzi Anaya mai
vake vaiita zvekuhonda ipapa
vanogona vakaenda Joza.Isu kumba
tiri kuti munhu akaenda kunotarisa
mkoma Morgan iye akunorara kumba
kwemusikana.Musikana uyu ndakabva
ndamuvenga ndiye apandutsa mkoma
vangu.Ndakaenda kuchurch
ndikanamata.Ndakadzoka kumba
ndakatora mhamha ndikaenda navo
paside.
"Mhamha zvakaoma imi"

"Chii iwe"

"Idriss wenyu ndamuona pamba pamai


vaya vanotengesa mabhero"

"Mai vapi nekuti vanoita zvemabhero


vakawanda"

"Ndamuona pamba pamai Anaya "


"Pacify usaita majokes akadai
handimafarire.Usina nyaya ubve
wanyarara hazvisekesi" she said
vachipinda mukitchen.

Pasina nguva Idriss akabva auya


akabata grocery kuita sekunga abva
kumba kwamkoma.Ndakaramba
ndakanyarara ndaida kunzwa
mastatement ake.

"Aaah watodzoka Idriss"

"Yaa muri sei"


"Ko iwe foni yako kubva yaramba kana
kumbotiudza kuti wakafamba sei"

"Ndakafamba bhoo foni yakaperawo


moto bhatiri racho rakadhakwa"

"Ko Morgan ariko here sei asina kuuya


kurufu"

Mudhara vakabva vapindawo


mukitchen.
"Mkoma Morgan variko vati foni yavo
yakafa"

"Muri kunyeperwa zvenyu munhu uyu


haana kwakaenda anga ari kumba
kwamai Anaya" i said pandakataura
izvi Idriss akabva avhunduka.

"Pacify wakafa njere wanzwa.Zvese


zvaunotaura ndezvekumama
ndakakuona kuti wakandivenga kana
neni handitorina fuck newe dai
wamitiswa wabva pano" said Idriss
achindiitira hasha.

"Pacify next time tichitaura pano


handidi kunzwa uchipindira uri
kuzvinzwa here.Idriss saka ati chii iye
Morgan ari kuuya here" said baba
vangu.

Vanhu vese vaiti ndinonyepa ndakabva


ndikanogara kwangu
ndega.Ndakatanga kufunga ko why
Idriss asina kusvika kwaanga anzi
aende.Mhamha vakauya pandanga
ndakagara.

"Pacify ko why wakavenga mukoma


vako kudaro.Ita rudo nemwana wamai
wako.Reason yaunovengera Idriss
ndinoishaya" said mom

"Handina kumuvenga but ndakavenga


zviito zvake.Anouya achivharira
vasikana vake musipo but
ndikazvitaura amunzwisise.Zvese
zvandotaura munoona kunga
ndinonyepa.Mhamha ndepapi
pandakambokunyeperai"
Mhamha vakaramba vakanditarisa
havana kupindura vakabva vaenda
kumusika kwavo.Mhamha ndaimboti
vari side rangu but ndakatoona
havanawo side zvainyanya
kundirwadza.Since pamba paibhowa
ndakafunga kuenda kunotandara
kumba kwana Sarue.

"Wagona wauya ngatiende kurwizi uko


ndoda kumbogeza hembe eish" she
said.

"Mira ndibve ndanotorawo dzangu


tiende"

Ndakamhanya kumba ndikatora


hembe dzangu tikaenda
kurwizi.Tichisvika paiva nevamwe
vasikana kusanganisira Anaya
wekuvharirwa naIdriss.Handina hangu
kumbotaura naye akaramba
akangonditarisa.

"Asi haundizive here kubva wanditarisa


kudaro" ndakabvunza.

"Wazviona sei kuti ndakakutarisa"


"Ndaona nemaziso ka waiti ndaona
sei" i said.

"Hezvo Pacify gara wadzikama


handitambe newe.Kudanana namkoma
vako hazvikupe mvumo yekundidaira
rough" she said.

"Iwe Anaya kana usina nyaya nyarara


hako usatinyaudza" Sarue akadaro.

"Sarue handisi kutaura newe.Tanga


wanoripa kuuraya kwawakaita
Lenon.Do you know ndogona
kukusungisa here" Anaya said.

Sarue akabva adzikama ndakaona kuti


akarwadziwa nemashoko akataurwa
naAnaya.

"Enda unomusungisa wakamirirei.Next


time ndikakuona pamba pedu ndiri
kukubvisa kamuromo ikako kanotaura
zvisina nebasa"
Takagumisira tava kutukana Sarue
akanditora tikaenda kumwe kwaiva
kusina vanhu.Takatanga kugeza
hembe dzedu asi Sarue anga ari
ziii.Pandakaenda kumba takasvika
pamba paine mota nyowani
kumashure kwayo yakanyorwa kuti
Fortuner iri yewhite.....

_drop your comments_


Watch out for chapter 6
*PACIFY*

_like our FB page_


https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
*Chapter 6*

*Pacify*

"Mukoma Morgan" i said ndaona


vakarara mumota.

"Pacify "
"Imota yaani iyi" ndakabvunza.

"Ndeyangu asi yakashata kani" he


said.

Idriss akabva asvika achiona mkoma


Morgan anoita kakuvhunduka.Sezvo
kwanga kwakusviba ndakamhanya
kubika.Mhamha namudhara vakauya
vese vakaratidza kushamisika kuona
pamba pane mota.

"Pacify imota yaani iyi iri kudei pano"


vakabvunza mudhara.

"Makasimba here baba namai" said


mkoma Morgan vachibudikira zvavo.

"Morgan uri kumbonyatsa kuita sei ko


mota iyi ndiwe wauya nayo here"
vakabvunza futi mudhara.

"Yes ka surprise asi hamuna kuifarira


kani.Everyone pano ari kungobvunza
imota yaani asi ndatadza here
pakutenga mota nhai" vakabvunza
mkoma.
"Bamukuru vako vakashaya iwe uri
busy kunotenga mota ndokuita sei"

"What!!! Bamukuru vapi"

"Baba Gamu"

"Oooh nhai Mwari vakashaya rini why


musina kundiudzawo"

"Tokuudza sei foni yako yairamba.Dai


tisina kutuma Idriss waiuya kuno here
iwewe" said dad.

"Ndanga ndakabuda out nebasa


ndanga ndiri ku SA"

"Ko Idriss haana kukuudza here


pakauya kuti Ba Gamu vakashaya"
vakabvunza mhamha.

"Idriss akauya kupi handisi kunzwisisa


nyaya dzenyu" said mkoma
vachiratidza kuvhiringika.
"Chii chaunonyepera kuvhiringika
ipapa.Ndakuudza kuti takatuma Idriss
anokutarisa uriko taida kunzwa
chikonzero chakaita usauye kurufu"

"Idriss haana kusvika kumba


kwangu.Inini mirai ndiende ndinoona
gulez Mai Gamu ndarwadziwa
zvakanyanya"

Mkoma vakapinda mumota vakarova


pasi.Mudhara namhamha vakasara
vakabata muromo vachishamisika
nemashoko anga ataura mkoma kuti
Idriss haana kusvika.Ndakafara kuti
vazvinzwira chokwadi vanoti inini
ndinonyepa.

"Pacify aitaura chokwadi paya kuti


Idriss haana kwakaenda" said mom.

"Zviri kuitika pamba pano


handichazvinzwisise" said dad
vachigara zvavo pachair vakabata
shaya.

"Munorevei kana muchidaro Baba


Morgan"

"Uri kuona Morgan haana kuuya parufu


angodzoka atova nemota, uyu Idriss
takamutuma ari kunzi haana kusvika
vakomana ava vakuda kunditemesa
musoro pano.Pacify ndinomuvenga
zvangu but ndakutoona zvanotaura
zvese zvinenge zviri right" dad said.

"Saka baba Morgan uri kuzama kuti


mwana wangu akaromba here.No no
inga wani ati anga ari SA.Pano munhu
ane problem hombe ndi Idriss
ndakamuona hangu kabehavior kaava
nako mazuvano"

"Handina kumboti akaromba hauna


kubata point yangu.Ndiri kuti vanhu
vachati chii kuti munhu haana kuuya
parufu ozongouya ava nemota.I trust
my son Morgan but ndiri worried
mashoko achataura vanhu.Ipo parufu
paya hauna kunzwa tete Mai Flo here"
said dad.

"Dad zvagara vanhu vanongotaura


whether waita chakanaka or
chakashata zvakangofanana" i said.
"Idriss aripi"

"Anga ari pano ndamuona achidzika


uko" ndakadaro.

"Okay musabike neshare yake.Mwana


uyu tikamusiya akadaro anotinetsa
pano nhasi ndoda kumuponda
handiitirwe zvisina basa.Ndakamupa
mari yangu kuti aende kumba
kwaMorgan iye akugumira muroad no
mhani"said dad vachipupa nehasha.
Mkoma Mogie vakafona vakati vari
kurara kumba kwagulez vaizodzoka
mangwana.Takadya mudhara
vakatoita make sure kuti apana chikafu
chasara.Idriss akanonoka kuuya but
musi uyu takanonokawo kurara.Idriss
akauya zvake akapinda mukitchen
matanga tiri.

"Maswera sei mhamha nadad" he said.

"Taswera" mom said but mudhara


havana kudaira.
Idriss akaenda pamapoto akaona
atoiswa mvura.

"Pacify chikafu changu chiri papi"

"Chikafu chapera patadya wanga uripi"


i said.

"Mhamha muri kuzvinzwa here zviri


kutaura mwana wenyu kana
ndakuzomurova mozoti ndini ndine
problem"
"Shut up ndiwe unotenga chikafu pano
here.Pacify is your lil sister why
uchimuvenga.Iwewe takakutuma
ukagumira muroad ukatiita mapenzi
pano uchinyepa kuti wakasvika" said
mudhara.

Idriss akapihwa imwe mbama iri strong


nadad akanodonhera kune
mabucket.Pakasimuka achida kutiza
akabva abatwa akaendwa naye
kubedroom kwavo.Takanzwa mhere
munhu ava kuridzwa.Zuva iri Idriss
akarohwa zvekuti kana neni
ndakagumisira ndava kutomunzwira
tsitsi.

"Baba Morgan unouraya mwana


zvakwana anzwa" said mom.

"Handiitwe benzi nemwana


wandakazvara.Kana achizviona
seakura ngaabve pano anotanga
musha wake"

"Handifunge achazviita futi anzwa


Baba Morgan"
"Idriss kuchiedza udzose mari yese
yandakakupa"

Idriss akabuda akaenda muroom


make.Ndakaendawo mangu kunorara
mhamha vakabva vapinda.

"Pacify muka tinamate" said mom

"Mhamha are you ok"

"Hameno chii chandaona panze apo


chakaita kunga munhu but pand..."
mhamha havana kupedza kutaura
tanzwa mutsindo panze.

Mhamha vakajambira pabed


pangu.Maitiro avo
akandityisa.Ndakavhura door
ndikatarisa apana chandakaona.

"Mhamha maonei"

"Ndaona munhu but handina kuona


chiso chake anga akamira akazembera
madziro ekitchen" said mom
"Mhamha munhu wei munotyawo
zvisina basa"

Ndakazvishingisa ndikabuda but apana


zvandakaona ndakakiya
pakitchen.Ndakapfugama tikatanga
kuimba masongs ekurumbidza Mwari
tikarova prayer.Mhamha vakarova
prayer yakandityisa vakatanga kurira
nendimi.Vachipedza vakabva vaenda
kunorara.Ndakarara pava pakati
pehusiku ndakatanga kunzwa
mutsindo wekunga pane munhu
aimhanya panze ndakatanga
kutya.Ndakanzwa mutsindo uya
uchiuya nechekudoor kwangu.

"Mhamha!! mhamha!!! mhamha


kani!!!!!" ndakadaidzira

Pasina nguva ndakaona baba vangu


vakabata tsvimbo mhamha vakagara
pabed vakandirarisa pamakumbo avo.

"My daughter chiii warota chiii"


vakabvunza baba.

"Baba handizive kuti kurota or zvaitika


ndatanga kunzwa mutsindo waiita
kunga munhu aimhanya
panze.Mutsindo uyu wabva watanga
kuita uchiuya kudoor kwangu
ndakutya"

"Haaa ihope idzi mwanangu" said baba


vangu.

"Something is wrong chete pano" said


mhamha.

"Ndakutya kurara ndega mhamha ko


ndikauraiwa nemunhu aita mutsindo"
ndakadaro.

"Mai Morgan worara nemwana


tomutsana mangwana" said dad
vachibuda.

Mhamha vakabva vakiya door vakauya


pabed pangu.Vakatanga kunamata
ndakavajoina but ndakangoita kashort
prayer ndikabva ndarara.Ndakasiya
mhamha vari paprayer.Ndakapepuka
ndikaona mhamha vakarara
vakagara.Musoro wangu waiva
pamakumbo avo, misodzi yakaomera
pamatama avo.Ndakaramba
ndakavatarisa vakabva vatopepukawo.

"Mamuka sei mhamha"

"Handina kumborara mwanangu


ndatozobatwa nehope kwatochena"

"But mhamha chii chakanyatsa kuitika


manheru ini andichazvinzwisise"

"Mwanangu kana ini ifirst time yangu


kunzwa zvakadaro.Isu ngatirambe
tichinamatira musha uno pamwe chete
nefamily yedu" mom said.

Takabuda tikanoita mabasa anoitwa


makuseni.Mudhara vakanonoka
kumuka zvavo.Zuva iri mhamha vakati
havasi kuenda kubasa kwavo vaida
kuenda kwamufundisi vanovaudza
zvakaitika manheru aya.

"But mhamha remember dad vakati


havadi kuona mufundisi pano"

"Ipapo manje hazvina basa ndoda


kunovaudza vanongonamata vari
ikoko"

"Muri kumboti chii mai nemwana" said


dad vachiuya patanga tiri
ndakatoshaya vanga vamuka nguvai.

"Ndiri kumboraira mwana wangu" said


mom.

"Yaaa itosimba kuraira apa nekuti ndiri


kuona mombe dzangu.Pacify
hambondinyadzise" said dad.
Ndakanyemwerera zvangu
zvekurumbidzwa ndaizvidawo.Dad
vakapihwa chikafu chavo vakatanga
kudya.

"Asi baba Morgan hamuna kunzwavo


mutsindo nezuro"

"Iwewe nemwana wako sei muchinzwa


zvinhu zvenyu mega.Regai
ndimbodzika ndimbonovhura huro
yangu"

"Ko mucharegawo riini kunwa doro"


ndakabvunza

"Mubvunzo uyoyo unotomboda 1


super" he said vachitofamba.

Vakabva vatoenda takangogara


30mins chete tikabva taenda
kwaMufundisi.Mhamha vakataura
nyaya yavo kuna mufundisi.

"Zvinoda ndiuye kunamata kumba


kwenyu family yenyu iripo yese" said
mufundisi.
"Okay ndichanotanga ndataura
naBaba Morgan vakabvuma ndouya
ndichikuudzai" mom said.

"Zvakanaka Mai Dzoto rambai


muchinamata"

Takaenda kumba mhamha vanga varii


zii.Ndaiziva hangu vainetseka kuti
votaura namudhara sei.Takasvika
mukoma Mogidza vatouya.
"Mhamha face yenyu iri kuratidza kuti
haina mufaro chiii chikuitika"

Mhamha vakatsanangurira Mogidza


zvakaitika manheru.Ivo vakashamisika
nazvo.

"Saka mufundisi ati ari kuda kuuya


kunamata tese tiri pano but problem
iripo baba vako vakati havadi kuona
tsoka yamufundisi pano" said mom.

"Mhamha don't worry mudhara


ndotaura naye kana adzoka.Ko Idriss
aripi ndoda andiudze chikonzero
chakaita agumire muroad"

Nguva dzakafamba takaswera tiri


pamba tichiudzwa mafambiro akaita
Mogidza kuenda SA.Tairatidzwa
mapics ari SA.Manheru akasvika Idriss
akauya but haana wakataura naye
airatidza kuti achakatsamwa.Mudhara
vakabva vasvika vakapera nedoro.

"Haa mudhara manwiro amunozoita


haiitewo" said mkoma Mogidza.
"Mupfana ini basa ndakapedza kare uri
kuona ndakaroora mudzimai akanaka
ndikaita vana ndikavaka musha uno
ndichadei chimwe.Chasara kuti iwe
uroore uitewo mhuri yako" said dad.

"Ndiri kuzvinzwa manje tiri kuda


mufundisi ambosvika pano anamate
nekuti zviri kuitika pano
hazvinzwisisike"

"Never as long ndichiri mupenyu


handidi kuona tsoka yekamufundisi
kaya pano.Unoti handizvioni kuti kari
kutaimira mukadzi wangu.Mukaramba
muchindinetsa ndichakurambidzai
kunopinda kuchurch yemufundisi
iyeye"

Ndakaona kuti uku kwava kudhakwa


apana akazotaura navo.Mkoma
vakangoti vaizotaura navo mangwana
doro rapera.Takadya tikaenda
kunorara ndakanzwa sekunga pane
chinhu chaitsva.Ndakavhura door
ndikaona hezvo zvaari mashura
kitchen yese yaibvira moto....
_drop your comments_

*Watch out for chapter 7*


*PACIFY*

_like our FB page_


https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 7*

*Pacify*

"Mhamha kani" i said ndichinoka


pabedroom pavo.
"Chiii Pacify" said mhamha vachivhura
door.

Vachiona kitchen ichitsva vakatanga


kuyeredza misodzi.Morgan naIdriss
vakamuka vakazama kudzima moto
vakautadza.Ndakamhanya
kunoshevedza Sarue namai vake
vakauya vakatibatsira ndiko kuzodzima
kwawakaita.Mhamha vakabva vakabva
vagara muvhuru chaimo.

"Pacify hauna kudzima moto nei hona


kitchen yatsva" said mhamha.

"No mhamha ndadzima ndatoisa


mvura ndiri kunetseka kuti yatsva sei"

"Midziyo yangu nhai Mwari


ndakatadzei ndotangira papi" said
mhamha vava kuchema.

Zvakandirwadza kuona mai vangu


vachibudisa misodzi.Ndakatanga
kuchemawo Mai Sarue vakasimudza
mhamha.
"Mai Morgan be strong plizz honai
Pacify ava kutochemawo.Tinofana
kutenda Mwari nekuti apana atsva muri
vapenyu.Midziyo inotengwa imwe asi
hupenyu hautengwi.Be strong sahwira
kuchema hakupedzi dambudziko" said
Mai Sarue.

Mai Sarue nemwana wavo havana


kugarisa vakabva vaenda.Mhamha
vakaenda mubedroom mavo vari zii.

"Chii chikumbonyatsa kuitika pano"


ndakadaro.
"Uri kubvunza ani" akapindura Idriss

"Idriss nyarara hako ndiwe wapisa


kitchen" i said.

"Wandiona here taura zvaunoziva"

"Sei usiri kurwadziwa uri kuratidza kuti


zviri kutokufambira"

Idriss akasimudza ruoko achida


kundipa mbama akabatwa namkoma
Morgan.

"Ndisiyei kahure aka


kanoonererwa.Anofana kundi
respectawo ndiri mukoma vake"

"Hausi mukoma vangu I think mhamha


vakachinjirwa mwana kuchipatara
chete.Mkoma vangu ndi Morgan not
you devil" i said.

Ndakapihwa mbama namkoma


Morgan.
"Pacify unombotanga wafungawo here
usati wataura.Ndakuona une problem
wadenha Idriss akazvinyararira enda
unorara uko ndinokurova"

Handina kupindura ndakabva ndaenda


kunorara.Hope dzakambobata here
ndakatanga ku regretter mashoko
andanga ndataura kuna Idriss.Ndanga
ndaitawo hasha dzisina
nebasa.Hameno ndakazorara nguva
asi ndakanonoka
kumuka.Pandakamuka ndakaona
mhamha vakagara zvavo pasi
pemumango vari zii asi maziso avo
anga akatsvuka.Ndakambotarisa
kitchen yanga yakatsva moyo wangu
wakarwadza.

"Mhamha"

"Uri kudei"

"Umm ndikuda kutaura nemi"

"Yohwee ko chiii chakaitika " vakadaro


dad vachifamba kuenda
pakitchen.Vairatidza kuti vari kubva
kumuka.

"Iwe Mai Morgan hausi kundinzwa here


ndati chii chakaitika makapisa kitchen
chirudzii"

"Baba Morgan handina kukumutsa


here manheru ukati ndisiyane
newe.Chii chimwe chaunokoshesa
kunze kwedoro manje hona midziyo
yakatsva"
"Eeeeeh yakatsva nenyaya yehu
careless hwako.Uchipedza kubika chii
chinokutadzisa kudzima moto.Doro
rapinda papi panyaya yekutsva
kwekitchen"

"Moto wakadzimwa uyu kungoti


hauzvinzwisise murume wangu
ndosaka ndaiti mufundisi ambosvika
pano anamate nekuti zviri kuitika pano
hazvisi zvega"said mhamha.

"Hapana mufundisi anouya pano.Chii


chandisiri kunzwisisa kitchen yakatsva
nenyaya yehu careless hwako
wandigumbura Mai Morgan"

Idriss naMorgan vakabva vasvika


patanga tiri ameno vanga vamukira
kuenda kupi nemota.

"Dad ndaida kutaura nemi nenyaya


yamufundisi"

"Ibva watogumira ipapo.Musha uno


unoti inini kwete mai vako.I know uri
kutumwa namai vako.Dai uri umwe
ungadai uchitaura zvekuti toita sei
nekitchen"

"Parizvino handitorina mari.Mari yese


yakaperera kumota iyi.Ndinenge
ndakutozviona ndatambira" said
mkoma.

Mudhara akaenda kunomira pakitchen


airwadziwa ndaizviona hangu.Akabva
aenda ameno kwakaenda.Mkoma
Mogidza vakanotenga mimwe midziyo
mishoma nemari yavanga vanayo.

"Mhamha ndava kudzoka mosara


nekamari aka but iwe Pacify uchinje
hunhu hwako Idriss akangofanana neni
ndimkoma vako unofana
kumurespectawo"

Mkoma vakabva vatorova


pasi.Ndakabva ndaendawo kumba
kwana Sarue ndakasvika kuine
fight.Sarue airovana naMai Lenon
ndakasvika kubata nekuti Mai Lenon
vaigona kuuraiwa.

"Mai ava ngavataure zvavanoziva


vanobva kumba kwavo kuuya
kundituka kuti zviite sei.Enough is
enough tinosvitsana kumapena" said
Sarue.

"Ndiuraye zvawakaita mwana wangu


ufare.Uraya hako wanzwa here"

"Sarue pliz nyarara zvawaita apa


hazviite.Waifana kunyarara kwete
kurovana kwamanga makuita"

"Iwe mai ava vandipa mambama


ndakazvinyarira ndatozoona kuti
ukanyarara vanhu vanokuita yavanoda
newe.Vaudze vaende kumba kwavo
ndinovaputisa ngavaende kunoitira
dzungu kure.Masvibisa zita rangu
muchiti ndakauraya mwana
wenyu.Ndomurairei nhai plus pakafa
ndaisava kuno" said Sarue.

"Yawatanga iyi unoipedza here mira


uzoona hako mwana wangu
unomumutsa chete" vakabva vaenda
Mai Lenon.

"Endai ini ndiri kuendawo


kumapurisa.Hamudi kurespectwa mai
imimi ndazviona" she said.
"Sarudzai"

"Chiii Pacify mai ava vanofana kunetsa


Idriss kwete inini.Idriss ndiye aiswera
naLenon haatadze kuziva zvakaitika
kuna sahwira wake.Pese painditaimira
Lenon ndaingovaona vari vese"

"Idriss haazive uyu nekuti day


rashaikwa Lenon vaisava vese" i said.

"Lenon wacho anogona akazvikanda


mudziva ega anoziva ndiani.Ndaisada
afe kutaura chokwadi ndaitovawo
nemafeelings naye kufa kwake
kwakandirwadza zvakanyanya" said
Sarue akatanga kuchema.

Pasina nguva Baba Lenon vanobva


vasvika vaine mukadzi wavo asi
vairatidza kuti vakagumbuka.Vakatora
shamhu vakarova Sarue.

"Who are you anorova mukadzi wangu


heee" said Baba Lenon.
"Ndiye atanga kun....."

"Handidi kuzvinzwa futi wanzwa here


ndati handidi kuzvinzww futi" he said
achirova Sarue neshamu ndakanzwa
tsitsi.

"Baba Lenon nzwisisai patangira


nyaya.Mai Lenon ndivo vane problem
manje ndiri kuenda kumapurisa" Sarue
said.

Sarue akabva aenda kumapurisa


ndakamutevera.Takasvika kumapurisa
akataura nyaya yake.

"Ndiani iyeye anoisa mutemo


mumaoko ake" said Officer Gejo.

Sarue akanzi aende nemapurisa


kumba kwaMai Lenon
kwacho.Ndakasara pamba pedu Sarue
akapfurira nemapurisa.

"Ko mapurisa ayo ndeeyi kwakanaka


here" akabvunza Idriss
"Kuchinakei ivo Baba Lenon varova
Sarue ndiyo nyaya yavari
kunosungirwa" i said.

"Baba Lenon naSarudzai


handivachenesi hangu pakufa
kwasahwira wangu" Idriss said.

"Idriss musataure zvinhu


zvamusingazive" vakadaro mhamha

Pasina nguva ndakaona Baba Lenon


vatorwa nemapurisa.Mai Lenon
vaitevera kumashure.Handina kuziva
kuti nyaya dzakazopera sei.Zuva rava
kudoka ndakaona Anaya achiuya
pamba pedu aine kasatchel kake.

"Ko musikana iwe ndokubatsira nei"


vakabvunza mhamha.

"Ndavinga Idriss"

"Idriss ari muroom make.Pacify enda


unomushevedza"
"I mean ndadzingwa kumba kwedu"
she said.

"Uri kumboti chii"

"Ndine nhumbu yaIdriss"

"Iwe kuita nhumbu yaIdriss here.Une


makore mangani"

"Yes mubvunzei Idriss wacho.I'm 14


years old"
Ndakamhanya kunoshevedza
Idriss.Pakaona Anaya akavhunduka
akanyepera kuzvishingisa hake.

"Idriss musikana uyu unomuziva here"


vakabvunza mhamha.

"Musikana upi"

"Iwe usada kundiita benzi hausi kuona


musikana akagara apa here"
"Ndewepiko asi matsvaga musikana
webasa here mom" he said.

"Idriss kwana musikana uyu ane


nhumbu yako" ndakadaro.

"Handisi kunzwisisa nyaya yenyu.Kuita


nhumbu yangu chirudzii ndiri
kutangawo kumuonawo nhasi
ndewepi"

"Idriss une shuwa kundiramba asi


wakati uchandiroora" said Anaya.
"Iwe tinozivana here.Siyana neni"

"Okay no problem tosangana


kumapurisa" Anaya said achisimuka.

_drop your comments_


*Watch out for chapter 8*
*PACIFY*

https://chat.whatsapp.com/HEj0bm8fv
Ok5GnenKPkEWj
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587
_Edited by Memo_

*Chapter 8*

*Pacify*

"Mapurisa apinda papi panyaya yatiri


kutaura nhai mwana iwe.Pamakamitisa
vanga varipo here mapurisa
acho.Pacify unomuziva here musikana
uyu" vakabvunza mhamha.

"Yes musikana waIdriss aimuvharira


muroom make.Day riya raasina
kusvika kumba kwamkoma Morgan
akanorara kumba kwemusikana uyu"

"Idriss unoramba zvinhu zvaunoziva


sei.Ungamitisa mwana ane 14years
unoziva ijeri here iri worse uri
kutoramba kuti hauna kuzviita"

"Mhamha musiyei aende kumapurisa


kwacho musikana uyu
handimude.Nditori nemusikana
wandinoda anonzi S..." haana kupedza
kutaura atemwa nebhutsu namhamha.

"Uri kunyepera ini mai vako


ndakakubereka here.Ndiudze imimba
yaani ine musikana uyu ndisati
ndakurova unofunga ukaita inzwi
rakakora wakura nhai"

"Kamusikana aka kahure kakandi


seducer handitozive imimba yangu
here nekuti kane vakomana
vakawanda"
Mhamha vakabva vasimuka
vanozvivharira mubedroom
mavo.Ndakaona kuti vakarwadziwa
zvakanyanya.Ndakatevera asi havana
kuvhura door ndakangovasiyawo
vakadaro.

"Mhamha vangoita BP Idriss


tinopedzerana.Haunyari kunyepera
mai vako vakakubereka"

Anaya anga angosvava apusa handina


kumbotaura naye ndanga ndagara
ndakamuvenga nekundituka
kwakamboita kurwizi.Mhamha
vakapedza zuva rese vari
mubedroom.Ndakazama kuknocker
but vaisavhura.Ndakatanga kuva
worried.

"Idriss waitei mhamha hona havana


chavadya vakangozvivharira"

"Hapana zvandaita wotobvunza hure iri


rauya kundipa nhumbu yandisingazive"

"Enough is enough.Idriss
ndambokunyararira wauri kuti hure
ndiani.Hausiwe wakandibvisa
humhandara here nhasi uno wava
kunditi hure.Nhasi ndiri kuenda
kumapurisa ndovaudza wakandirepa"

"No Anaya wait ndinoshevedza dad


vangu vangadzirise nyaya iyi" i said.

Ndakamhanya kubhawa kwainwira


baba vangu ndakasvika vari busy
kutonwa.Vachindiona vanoshamisika.

"Pacify uri kudei mubhawa huh"


"Dad ndavinga imimi zvinhu azvina
kumira mushe kumba mhamha
vaswera vakazvivharira mubedroom"

"Ko zvamboita sei munhu wandasiya


ari bhoo ichiri nyaya yekutsva
kwekitchen here"

Ndakavanyengerera tikaenda tese


kumba.Vanga vasina kumbonyanya
kudhakwa zvavo vaiziva
zvavaiita.Vakasvika nekunoka padoor
repabedroom asi mhamha havana
kuvhara.

"Vaitwa sei mai vako Pacify ndiani


avatsamwisa"

"Umm ndiIdriss" i said.

Dad vakatarisa kwanga kuna Idriss


nerimwe ziso.Mhamha vakabva
vavhurawo door maziso avo airatidza
kuti vanga vachichema.
"Mai Morgan chiii chikuitika aita sei
Idriss"

"Mwana wako amitisa ka under age


ava kuramba mhosva ndinonyarira
kupi nhai Mwari"

Dad vakaenda kwanga kwakagara


Idriss.Ndakavapa chair vakagara
Anaya akanzi auye pedyo.Mudhara
face yavo yanga yatochinja panguva
diki diki.
"Idriss nhumbu ndeyani???"
vakabvunza dad

"haisi yangu"

"wakamborara nemusika uyu here"


vakabvunza futi vakarova serious.

"hongu asi nemaCondom!!!"

"Idriss ukaridza ngoma nema Gloves


hairire here"
"inorira"

" saka ndeyako unorambirei zvinhu


zviri pachena wotoroora"

" Aiwa ndoramba.Iye anga aine


vakomana vakawanda, saka
handiroore"

"Baba kunyeperwa Idriss ndiye


mkomana akandibvisa humhandara
nhasi uno ava kuramba"
"Newewo unazvawo mwana mudiki
akaita sewe kuswera kuvhura
makumbo kumunhu asina
nechinhu.Nyaya yatopera Idriss
musikana uyu atova mukadzi wako
remember iunder age tinofana
kunotaura nefamily yake fast nyaya
isati yasvika kumapurisa"

"but Idriss anofana kubvuma mhosva


yake" i said.

"Izvo azvinetsi anobva pano vese


nemunhu wake.Kana achida kugara
pano ngabvume mhosva yake" said
dad.

"Dad sorry hongu mimba ndeyangu but


ndaisamuda hangu musikana uyu
ndochokwadi"

"Manje akatakura muzukuru wangu


hakuna kwanoenda" said mhamha.

Nyaya yakabva yapera asi mhamha


vanga vane stress.Zvaiitika pamba
pedu zvaisava zvega.Everyday
hapashaye zvoitika chete why.Ko ivo
dad sei vachiramba kuti mufundisi
auye kunamata.Manheru takarara
mutsindo uya wakatanga futi.Hana
yangu yakatanga kurova
pandakazama kuvhura door
rakaramba.Ndakatanga kuchema
ndichidaidzira mhamha.Pasina nguva
vakauya door rikabva ravhurika.

"Pacify chiii mwanangu.Baba vako vari


kuvhumukawo uko nhai Mwari chii
chikuitika pamba pano"

"Mhamha something is wrong pamba


pano"

Mhamha vakarara neni.Tichimuka


takaona mudhara vatomuka kare.Kaiva
kekutanga kuona mudhara
vachikurumidza kumuka.Asi waitoona
kuti vane zviri kuvanetsa.

"Mai Morgan wanga uri right pawaiti


pamba pano pane zviri
kuitika.Ndakanzwa mutsindo pamba
pano ndakabuda apana chandakaona"
said dad.
"Mazvionawo ndosaka ndaiti
ngatishevedze munhu waMwari
anamate"

Tete Mai Flo vakabva vasvikawo vaine


kabag kavo.Takavakwazisa tete asi
waitoona kuti kwabviwa hakuna
kunaka.Ndakavabikira chikafu
vakadya.

"Kundiona ndauya zvinhu azvina


kumira mushe Baba Morgan"

"Ko chiii futi hanzvadzi"


"Zvandiri kunzwa kumba kwangu
zvakaoma ndiri kunzwa mutsindo
manheru kana kunzwa vanhu vanenge
vachitaura panze ndikabuda
handivaoni"

"Ndozviri kuitika pano futi ndafunga


timbofambira kun'anga tinzwe chii
chikukonzera" said dad.

"Muri right mukoma ndizvo zvandanga


ndichifunga"
"Saka n'anga ndiyo inoita sei.I don't
believe zven'anga inini" said mhamha.

"Mai Morgan hapasi kuda kupikisa apa


mangwana tese tiri kumukira kuenda
kun'anga" said baba.

"Inini hakuna kwandinoenda handiite


zven'anga" said mhamha.

"Kana neni hakunawo kwandoenda" i


said.
"Kana neniwo nekuti zven'anga
nechurch yedu hazvipindirani" said
Idriss.

"Mai Morgan ndi respectewo pliz


handidi nemashoko angu.Saka zviri
kuitika zvese izvo zviri kukufadza here
ita semunhu akura mhani" said tete
Mai Flo.

"Ndakaudza Baba Morgan kuti regai


ndidaidze mufundisi wekuchurch
kwangu vakaramba"
"Mai Mogidza wava kuzviona ndiwe
wava baba pano.Unoda kuzviita
seunoziva kupfuura vamwe.Mai Flo
ava vanotoendawo kuchurch wanzwa
but vanoziva zvivafundisi zvenyu
ndezve fake.N'anga inoona pane
dambudziko nekuzvipedza"

"Endai mega ndati ini handina


kwandinoenda" said mhamha.

"Mufundisi wako akatadza kunamatira


Mbuya Sigauke vairwara nemakumbo
ndipo pandakaona kuti haana
simba.Dai aine simba akavaporesa
handitomude pano pamwe ndiye ari
kusairira mhepo pamusha pano
anoziva ndiani"

Hapana akapindura dad.Mangwana


acho tete nadad vakamukira kuenda
kun'anga kwacho.Masikati takaona
vakuuya nen'anga yacho pamba
ichimwaya mwaya zvimishonga zvayo
pamba pedu.Mhamha vakanotora bible
ravo vakaribata muruoko.

"Musha uno une mhepo"


"Ndosaka tauya nemi kuti mugadzirise
zvinhu" said dad.

"Ndiri kupanzwa but munofana kuti


wedzerei mari nekuti mhepo yandiri
kuda kurwara nayo ihombe"

Dad vakabva vauya pana mhamha


vachida kuwedzerwa mari asi mhamha
vakaramba.

"Amai ndimi muri kukonzera nyaka


nyaka iri kuitika iyi" yakadaro n'anga
yakanongedzera mai vangu.

"Ndaizviziva Mai Morgan uri muroyi


hahahada" said tete Mai Flo.

Mai Flo vachitaura izvi vakabva


vadonha vakatanga kukosora
vachirutsa ropa.Vakabva vangoti zii
vakadaro.N'anga iya yakazama kuda
kuita mashiripiti ayo ikatadza
kuvamutsa.Yakapihwa mari yayo
ikaenda tikaendesa tete kuchipatara.

"Mai Morgan undiregerewo nemashoko


andataura.Iwe naPacify ndimi
muchaita chokwadi chibude ini
handisisina nguva panyika pano" said
tete.

"No tete you will be okay"

"Tererai zvandiri kutaura Pacify huya


apa"she said vachitaurira
pasi.Vaitotaura zvekumanikidzira.

"Pacify ndoda ukure ari mwana


anoterera.Ndaishuwira kuvapo
pamarooro ako asi zvakona nguva
yangu yakwana"

Vakapedza kutaura ndikanzi ndibude


takasiya tete vachitaura nadad.Pasina
nguva takazongonzwa tete
vashaya.Kufa kwatete vangu
kwakandirwadza zvakanyanya.Vari
baba vangu vaiita kunga varohwa
nemagetsi vanga vangori zii.Morgan
akafonerwa akauya.Ndiye akaronga
zvinhu zvese zveparufu.

Tete vakasvika pakuvigwa baba vangu


vaisataura nemunhu.Havangaregi
nekuti vanga vasara vega kufamily
kwavo.Kana kudya vaisadya baba
vangu.Mufundisi nemukadzi wavo
vakabva vasvikawo vachibata
maoko......

_drop your comments_

*Watch out for chapter 9*


*PACIFY*
https://chat.whatsapp.com/HEj0bm8fv
Ok5GnenKPkEWj
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
*Chapter 9*

*Pacify*

"Musha uno une ngozi munofana


kuungana family yese mobvunzana
nekuronga pamwe chete nekuti
mukasadaro ndiri kuona musha uno
wapera kuti tsvai zvese nezvipfuyo
zvinopera futi pakasara pava padongo"
said Mufundisi.
"Ngozi ipi yakakonzerwa nani.No
musha wangu hauna ngozi I think
maita mistake ipapo" said dad.

"Baba Dzoto gadzirisai zvinhu nguva


iripo.Mushonga wengozi
kuiripa.Ndinoda kuti family yese ive iri
pano next week Sunday ndoda kuitira
service pano tichinamata" said
Mufundisi Shonhiwa.

"Ipapo matigonera mufundisi nekuti


zviri kuitika hazvisi zvega" said mom.
"Mufundisi siyai manamata nekuti
mazuvano hapararike pano tonzwa
mutsindo" i said.

Pastor vakanamata
zvavo.Vakakumbira mvura
vakainamatira vakaikusha payard pedu
vachitenderera.Pavakapedza vakabva
vaenda.

"Wazviona ka zvandaitaura kuti


kamufundisi kenyu hakaoni
chinhu.Kana aona ngozi adii kutaura
munhu akaikonzera.Mumusha muno
hamuna ngozi asi pane munhu
akundisundidzira mhepo mumusha
mangu"

"Ndiyo problem yako murume


wangu.Apa tatopihwa kahint kekuti
mune ngozi dai muri umwe matotanga
kutsvaga kuti zvakakonzerwa nani.But
chokwadi chichabuda remember
Pastor vati vakuda service pano"

"But dad mafiro akaita tete mai Flo


hanzwisise hamuna kuona vakaita
sekunga varohwa nezvinhu
paya.Zvinhu izvi ngatizvigadzirise
nekukurumidza tinopera pano
sezvataura mufundisi.Ngozi haisi
yekutamba nayo"i said.

"I don't think kuti ingozi ini.Do you


know munhu akazvarwa chasara
kufa.Kana munhu afa nguva inenge
yakwana zvakutaurwa pano kuti pane
ngozi kunyepa.Ndinosapota point
yadad yekuti pane munhu ari
kundisundidza mhepo mumusha
muno" Idriss said.

"Kana uchiti hapana ngozi unorevei asi


wazviona pamweya here"
ndakabvunza.
"Pacify ndiri kutaura mafungiro angu"

Takasiyana nenyaya yacho taona kuti


taizogumisira tatukana naIdriss.Anaya
anga akagara paside
namhamha.Ndakashaya why mhamha
vanga vakumuda.

"Anaya usazvinetsa nekuita basa pano


munofana kubatsirana natete Pacify"
said mom.
"Yaaa ipapo uri correct Mai
Morgan.Anaya ava mufamily yedu
munofana kumubata
zvakanaka.Mogidza akauya tiri kufana
kunobvisira kumba kwana Anaya
mimba isati yakuoneka" said dad.

Manheru ezuva iri takarara


zvakanaka.Kuchiedza Sarue akauya
pamba pedu.Ndaifunga baba vangu
vachapopota asi vakaramba vari zii.

"Pacify haude here tiite ma absolute


fasting" she said.
"Ndiwo api iwayo"

"Kupedza zuva rese usina chawadza


manje isu ndoda tiite 2 days"

"Wow pfungwa yako ndaifaira


Sarue.Kana neni ndinotomadawo
mafasting iwayo" said mom vachiuya
patanga tiri.

"Kana neni ndoda"


Takarongedza majuzi edu nemachira
tikaenda kugomo.Takasvika
tikanamata kusvika kwava
kusvipa.Takavesa moto tikanga
kumboparidzirana.Dzava kuma 9
ndakabva ndarara ndikazomutswa
namhamha na00:00 tikarova imwe
prayer yanga iri
yejambanja.Sometimes pane
pasingadi prayer yakapora pora ita
hasha muprayer ndizvo
zvandakaita.Takaita mazuva maviri
mugomo tikadzoka kumba.Takasvika
pamba pari smart mumba
makatsvairwa Anaya anga asina
husimbe.
"Ndiri kushaya mari yangu.Mari iyoyo
ndakatengesa mbudzi nezuro kuti
tinowana pekutangira kumba kwana
Anaya" said baba vangu.

"Idriss ndiye chete atora mari iyoyo"


said mom.

"Mwana uya kuti idemon here riri paari


ndinozvishayawo.Ndiri kuzama
kukavhira nyaya dzake iye akuba mari
yacho haaa fakofu mhani" said dad.
Dad vakabva vatoenda kubhawa
ndakaona kuti vanga vagumbuka.Idriss
anopedza simba shuwa.Mhamha
vakafonerwa hameno zvavakanzwa
pacall chiso chavo chikasuruvara.

"Morgan ari muchipatara now"

"Hanzi vaita sei"

"Hanzi angodonha kubasa kwake


akatanga kubuda furo zvakaoma
mwanangu" said mom.
"Mhamha don't worry vanoita
zvakanaka"

"Ngozi yacho ngainange kune akapara


mhosva kwete kune vakachena.God
protect my son please" said mom.

Mudhara vakabva vadzoka ndofunga


vanga vafonerwavo.Vanga vakabata
super ravo vakarinwa vakapedza.

"Zvedoro ndasiya nhasi.Ndakuda


kutsvaga honzeri pazvinhu izvi" said
dad.

"That's my husband" vakadaro


mhamha vachinyemwerera.

Pakadzoka Idriss akapondwa


namudhara kunga achauraiwa.This
time hapana akabata akarohwa
kusvika ivo dad vaneta vakamusiya.

"Anaya kutanga nhasi ucharara


naPacify kwete muroom maIdriss" said
dad.
Ndokutanga kurara kwandakaita
naAnaya.Akatanga kundikumbira
ruregerero nekumbondiita
rough.Handina kuda kuchengeta
chigumbu.Takazorara tava kuwirirana
but kutaura kwake airatidza kuti
akavenga Sarue ndakasiyana nazvo
ndakatoona kuti vaviri ava vane
maprevious.

"Ko Baba Morgan zvamakati masiya


doro wani.Ko muri kunwirei nhasi"

"nhasi ndiri kutonwira kupemberera


kurega doro kwandakaita nezuro" said
dad vakaita kudhakwa.

Ndakashaya vanga varitenga nguva


dori iri makuseni.Mhamha
vakatopererwavo nemashoko
takangovasiya vakadaro.Takafonerwa
tichiudzwa kuti mkoma Morgan vava
serious neurwere.Mhamha vakaronga
kuti vaunzwe kuno vanamatirwe
mamufundisi.Manheru mkoma
vakauya.Mufundisi akafonerwa akauya
kunamatira mkoma vangu.Vakabva
vangoita zviri nani.Sunday yakasvika
service ikaitwa pamba pedu everyone
anga aripo kusanganisira iye
Idriss.Vana Mai Lenon vakatouyawo
kuchurch ndanga ndavakokawo
naSarue wacho.Vaingotarisana
nemaziso ekuita kunga vacharovana.

"Toda kuti tisvike patinonamatira family


yekwaDzoto".

Vanhu vakatanga kunamata panguva


iyi ndakaona Idriss ava kusimuka
ameno aiyenda kupi akabatwa namai
Mufundisi.
"Idriss gara pasi pane zvakuda kuitika"
said mai mufundisi.

Idriss akabva agara pasi.Mufundisi


akatanga kunamatira munhu wese aiva
paservice vakagumisira naIdriss.

"Musha uno une ngozi pane akauraya


munhu.Akaita izvozvo anofana kubuda
pachena zvinhu zvogadziriswa pasina
izvozvo ndaona musha wapera" said
Mufundisi.

"Ndiri kuda kuziva akazviita wacho"


said dad.

"I can't tell you zita remunhu akazviita


asi iye achataura hake ega"

"Kana muchiti hamutaure zita zvinenge


zvabatsirei manje.Zvinogadziriswa sei
pane munhu angabvuma kuti akauraya
munhu here" dad said.

"Akazviita achataura ega.Ini


ndikakuudzai apana anozvitenda saka
mirirai iye azotaura ega.Asi munhu
akazviita arimo mufamily menyu pano
atoripo"

Service yakabva yapera.But mudhara


vaingoshoora Pastor vachiti havaoni
chinhu.Ini ndakashaya why Pastor
vasina kutaura.Ndakafunga mashoko
avo vachiti ndewe mufamily medu
aitovapo paservice.Mupfungwa dzangu
makauya Idriss I don't know why
ndakamhanya kufungira
iye.Ndakarangarira kubva zvakafa
Lenon akabva atochinja
zvisinganzwisisike.Kuti angava iye
akauraya Lenon.Kurimwe side mkoma
Morgan havana kuuya kurufu kwaBaba
Gamue vakazongodzoka vatova
nemota.Vaviri ava ndivo vakauya
mupfungwa dzangu but Idriss ndiye
wandainyanya kufungira.Ndakatora
mhamha ndikaenda navo paside.

"Mhamha zvataura mufundisi


mazvinzwisisa here"

"Ndatadza kuzvibatanidza ini"

"Ini ndazvibatanidza hangu.Idriss


naMorgan ndipo pane munhu ari
kukonzera zvese zvikuitika pano"
"No no Pacify vana vangu havadaro no
hazviite"

"Kana mukazvitarisa day rashaikwa


Lenon ndiro day ratanga kuenda Idriss
kumombe.Ndipo pakadzoka achiti
musoro uri kurwadza I still remember
maziso ake anga akatsvuka kuti
ambochema.Idriss uyu handisi
kumuchenesa mhamha"

Mhamha vakaramba vakanyarara


vachiratidza kuti pfungwa dzaiva
kure.Asi ndakaona kuti zvandakataura
havana kuzvifarira vakandisiya
ndakamira ndega vakaenda kwanga
kuna Idriss naMorgan.Ndakatevera
kwanga kuna mhamha ndikasvika
vachipopotera Idriss.

"Morgan usatombopindira nyaya iyi


ndine maquestions ako andichada
kukubvunzawo" said mhamha.

"Wava mupurisa here Mai


Morgan.Kamufundisi kako
kakunyepera kuti mumhuri mangu
ndimo mune ane ngozi nhema idzo
kuda kutipesanisa pano"

"Baba Morgan pari zvino


ndokumbirawo kutaura nevana ava
pasina anopindira.Ndoda kutaura
nevana vangu vese newe wacho
Pacify" said mhamha.

Ndaingonamata nechemumoyo kuti dai


chokwadi chabuda zvinhu
zvigadziriswe nguva
iripo.Ndakamhanya mumba
ndikatambidza mhamha bible.
"Morgan bata bible iri zvese
zvandichataura haundinyeperi kana
wakabata bible ukanyepa Mwari
vanoziva zvekuita newe"

"Bible rakwana papi futi mhamha.Mava


kuti threatener nebible here" said
Idriss.

"Idriss kana uriwe nyarara zvawakaita


ndiri kuzviziva zvese" i said.

Akabva anditarisa neziso rine


kakuvhunduka mukati.
"Pacify chiii chauri kuziva" vakabvunza
baba.

"Idriss anoziva zvakaitika kuna


Lenon.Why day rakatanga kuenda
kumombe akabva ashaikwa pafungei"

"Ko Morgan zvakatadza kuuya parufu


pamkoma vangu akadzoka ava
nemota zvakafamba sei.Idriss haana
nyaya but iwewe Morgan ndiwe wandiri
kufungira taura chokwadi" said dad.
Morgan akaramba akanyarara akabva
atanga kuyeredza misodzi....

_drop your comments_


*Watch out for chapter 10*
*PACIFY*

https://chat.whatsapp.com/HEj0bm8fv
Ok5GnenKPkEWj
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587
_Edited by Memo_

*Chapter 10*

*Pacify*

"Ko Morgan zvakatadza kuuya parufu


paMkoma vangu akadzoka ava
nemota zvakafamba sei.Idriss uyu
haana nyaya but iwewe Morgan ndiwe
wandiri kufungira taura chokwadi hatisi
zvekuda kuhwandirana" said dad
Morgan akaramba akanyarara
ndakangoona misodzi yava kuyerera
pamatama ake.Akabata bible ranga
rina mhamha.

"Mashoko enyu andirwadza baba


kusvika pamoyo pangu.Nemiwo
mhamha why matanga kubvunza inini
kureva kuti hamuvimbe neni.Ne effort
yandoisa pano hamuzvioni nhai.Maoko
angu akachena handina munhu
wandakauraya asi tsoka yangu
hamuchafi makaiwana futi pano
musare nevana Idriss naPacify
vamuno trusta"

"Morgan zvauri kufunga hazvisizvo"


said mom.

Morgan akasimuka akatakura mabag


akaisa mumota make.

"Haa uku kutiza nyaya manje hakuna


kwaunoenda usati wandiudza chiii
chawakabata chakaurayisa vana
vamai vangu" said dad vachienda pana
mkoma Morgan.
"Baba Morgan musadaro"

"Iwe nyarara wanzi utaure nani mwana


wako uyu ari kuziva zvakaita"

Mkoma Morgan vakapinda mumota


mudhara vakaenda kumberi.Morgan
akamutsa mota baba vakamhanya
kubva kumberi.Vakabva vatorova pasi
ndakarwadziwa nekuti vanga vasati
vapora.Ndakagara paveranda
ndakatarisa Idriss wandakaona
aitochema zvake.
"Mai Morgan wazviona ka dai ndisina
kubva pamberi pemota paya anditsika
mwana wako.Ngaende ngasadzoka
pano futi"

"Idriss udza vanhu zvakaitika or else


ndovaudza inini" i said.

"Pacify unoda kutaurei.Parizvino


handidi kunyaudzwa ibvai pano" said
dad.
"Pano handibve kusvika mwana wenyu
uyu ataura chokwadi.Kana asiri kuda
kutaura ndava kuenda kumba kwamai
Lenon ndovaudza zvakaitika" i said
ndichipfeka bhutsu.

Vanhu vakangonditarisa ini apana


chandaiziva yaiva plan yekuda kuona
kuti Idriss akachenawo here panyaya
iyi.Idriss akazondimisa ndava kure.

"Pacify dzoka ndotaura zvese


zvakaitika" Idriss said.
Ndakadzoka ndichimhanya ndikagara
pedyo naye ndichida kunzwa nyaya
yacho.

"Ndini ndakauraya Lenon but handina


kumuuraya ndichida" said Idriss

"What!!!" i said

"Unoziva that day ndakaenda


kumombe ndakatsamwa coz dad
vanga vandimanikidza.Takasanganisa
mombe dzedu naLenon zuva iroro
tikanofudza tese asi nyaya
yakazotangira pakandiudza kuti ari
kuda kusvitsa shoko kuna Sarue ini
ndaimudawo.Ndakamuudza kuti
ndodanana naSarue iye akazviramba
takatukana kusvika takurwa.Pakurwa
kwatanga tichiita Lenon akabva
adonha akabva angoti
zii.Ndakambofunga kuti pamwe afenda
ndakamudira mvura akatadza kumuka
ndipo pandakaziva kuti
atofa.Ndakafunga kutaura chokwadi
chaitika but ndakaona ndaizofira mujeri
ndakanomukanda mudziva kuti
zvigoita se aida kuredza hove.Handina
kumuuraya ndichida tairwa isu" said
Idriss achichema.
Mhamha vakabva vadonha pasi asi
madonhero avakaita musoro wavo
wakanorovera padombo vakatanga
kubuda ropa.Ndakaenda pavari
ndikazama kuvadira mvura havana
kumuka ndakatanga kuchema.Baba
vanga vango sticker vakanyarara.

"Mhamha kani" i said.

Baba vakanonga mupini webadza


vakamhanyisa Idriss.Ndakatanga
kutevera ndichidaidzira dad kuti vamire
asi havana.Ndakadzoka kumba
ndikamhanya kumba kwana Sarue
ndakasvika kungodonha paanga
akagara.Ndakatadza kunyatsa kutaura
ndainzwa kuzarirwa.

"Pacify chiiko"

"Nda----nd--a---"

"Calm down Pacify"

Sarue akapinda mumba akandipa


mvura ndikanwa.Ndakatanga kuchema
Sarue aishayawo chaitora nzvimbo.

"Mhamha vangu"

"Vaita sei"

Handina kukwanisa kutaura


ndakangonongedza kumba
kwedu.Sarue akandibata ruoko
tikamhanya kumba.Mhamha vangu
vanga vakati rabada pasi ropa
richiyerera pasi.
"Pacify chiii chaitika hona ropa iri
watadza kusunga musoro kuti risabuda
here nhai"

"Mhamha vangu kani"

"Pacify chimbomira kuchema tironge


zvekuti mhamha vaende kuchipatara
nekukurumidza.Mira ndimhanye
pamba pambuya Gora apo
ndinokumbira muzukuru wavo ane
mota atitakurire mhamha"
Sarue akamhanya kwambuya
Gora.Pasina nguva anga atouya
nemota mai vangu vakaendeswa
kuchipatara.Anaya akabva asvikawo
ameno aibva kupi.Akamhanya kuuya
pandanga ndiri namhamha.

"Ko chii chaitika tete hiii"

"Idriss wako ndiye akonzeresa izvi ndiri


kuda kuzopedzerana naye" i said.

Sarue akabva adzoka ari mumota


yemuzukuru wekwaGora.Takatakura
mhamha tikavaisa mumota.Anaya
anga achida kuendawo kuchipatara.

"No Anaya chisara pamba iwewe


hazviite pasare pasina munhu" said
Sarue.

"Iwe Sarue nda...."

"Anaya please tevedza zvataurwa


ndinodzoka manje manje" i said
akabva adzikama hake.
Mota yakarohwa tikasvika pachipatara
mhamha vakamhanyiswa kune imwe
room isu tikasara
panze.Ndaingonamata kuti mhamha
vangu vapore.Pasina nguva ndakaona
Anaya achiuya akazara dikita kuratidza
kuti abva achimhanya.

"Iwe handina kuti sara kumba here"

"Umm kumba hakugarike uko"said


Anaya.
"Hakugarike nei"

"Baba vauya nemupini vachida


kundirova ndakutotya ini" said Anaya
achichema.

Ndakatoziva aitaura chokwadi


mudhara wangu kana ava nehasha
anogona kungopopotera nevanhu
vasina mhosva.Doc vakauya
ndikavamhanyira.

"Mai vako varasa ropa


rakawanda.Vakanganisa musoro wavo
ko pane mukuru wekumba kwenyu
ndine zvandikuda kutaura naye"

"Ndini" i said.

"No ndiri kureva vanhu vakuru


vekufamily kwako"

"Okay mirai ndinotora dad vangu but


mungandibvumidzawo here kutanga
ndaona mhamha vangu"

"No now hazviite muvaone enda


unotora baba vako"

But matauriro akaita doctor akaita


doctor akaita hana yangu irove.Sarue
akandibata ruoko tikabuda kuenda
kumba.Takasvika pamba baba vangu
vakagara paveranda vakabata
shaya.Vachindiona ndichisvika
vanobata mupini wavo vanouya
kwandiri.Sarue naAnaya vanotiza
vakanomira kure.Handina kutiza
ndakaramba ndakamira.

"Wanga waendepi huh mai vako varipi


ndiudze, iwe Sarue uri kudei
pano.Ndiwe honzeri pazvinhu zvese
izvi.Dai pasina iwewe zvisina
kumboitika iwewe Pacify ndinokuputisa
kasoro aka ukaramba uchitamba
naSarudzai"

"Sarue iyeye ndiye aita mhamha


vaende kuchipatara.Sarue iyeye ndiye
akatibatsira kudzima moto kitchen
payaitsva.Dad hasha hadzibatsire
chinhu dai muri umwe muchitofunga
nyaya iyi yogadziriswa sei.Every
problem ine solution yayo"

"Wati ayendesa mai vako kuchipatara


vaita sei"

"Vadonha musoro wavo ukarovera


padombo"

"Zvaitika nguvai uye ndiri kupi"

"Zvaitika muripo but hamuna kuzviona


muri kudiwa kuchipatara nadoc"

"Okay iwe chisara uchibudisa hembe


dzaIdriss dzese panze ndiri kuda
kusvika Anaya warongedza twako
watevera umwe wako"

"Anaya aita sei wamava kupinza


munyaya dzasingazive.Anaya uyu
akawana chanowana tinopinda busy
isu.Dad musapa madecision kana
makatsamwa pliz"

"Ndiri kudzoka imi sarai pano"

Dad vakabva vatoenda


kuchipatara.Sarue naAnaya vakabva
vauya pandiri.
"Ko amboita sei Idriss zvakonzera
hondo pano" akabvunza Anaya.

Ndakafunga nyaya yataura Idriss


yekuuraya Lenon.Ndakatanga
kuchema zvekuti ndakatadza kuudza
Anaya naSarue.Sarue akabva aenda
kumba kwavo.Anaya akabika chikafu
ndaisanzwa kuda asi ndakazongodyira
kumunyara.Kwakasvika pakusviba dad
vasati vadzoka kana iye Idriss wacho.

Dad vakauya vakasuwa


zvakanyanya.Havana kumbotaura
chinhu.Ndakazama kuvabvunza
vaingoita sezombie.

"Ndafonera Mai Roy manje manje


vanenge vasvika" said dad.

Mai Roy munin'ina wamhamha vangu


vanogara kuHarare.But dad havana
kumbotaura reason yacho.Mai Roy
vacho vakatozosvika pakati pehusiku
tanga tichakamuka.
_drop your comments_

*Watch out for chapter 11*


*PACIFY*

https://chat.whatsapp.com/IH4pcIBRX
Mn6Y8z3Tpwphn
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/
*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 11*

*Pacify*
"Ko sis vangu vaita sei nhai Baba
Morgan ndiudzei zvizere ndauya"
vakabvunza Mai Roy vachida
kunzwisisa.Vaitoratidza kuti hapana
chavaiziva.

"Bamukuru hamusi kundinzwa here"


said Mai Roy.

"Mai Roy totaura kwachena now nditori


nestress musoro wangu uri kuita
kurwadza"

"Saka ndizvo zvamandifonera kubva


Harare kwese uko kuti muzondiudza
kuti muri kunzwa musoro.Tell me
where is my sister"

"Mai Roy please try kunzwisisa nyaya


inoda kutaurwa kwakachena then
toronga kuti toita sei ndosaka
ndakakushevedza" said dad nekavoice
kainzwisa tsitsi.

Dad vakabva vasimuka kuenda


kubedroom kwavo vakanorara.Chikafu
havana kudya ndakaona murume
mukuru anga ane stress.Ndakatanga
kufungawo mai vangu.Ndakaudza Mai
Roy zvese zvakaitika.

"Saka Idriss wacho haasati adzoka


here.Ko musikana uyu ndiani"

Ndakavatsanangurira futi zvaAnaya


vakabata musoro zvekuratidza
kupererwa.

"Ko sei Mai vako vaisandiudzawo zviri


kuitika kuno.Eish vakoma vangu
vakasangana nezvakawanda"
Takaenda kunorara muroom mangu tiri
vatatu.Asi kunamata handina kurega
kana iye Anaya anga akutofarirawo
zvekunamata.Makuseni ndichimuka
ndainamata futi kutenda Mwari kuti
ndamuka ndiri mupenyu uye ndiri
mutano.Ukaona uchiti pakurara
haunamate, pakumuka
haunamate.Chivanhu hauite, kun'anga
hauyende vadzime
havakuzive.Unenge uchinyatsa
kutembei chaizvo.

Vamwe vese vakazomuka tatopedza


basa naAnaya.Mai Roy na Dad
takavapa tea vakanwa nyaya iya
ikabva yatanga.

"Pacify akandiudza zvake


zvakaitika.Baba Morgan nyaya yava
pano haisi yekutukana or kuitirana
hasha nekuti hazvibatsiri chinhu asi
zvinotowedzera
maproblems.Kumhanyisa Idriss
zvakabatsira chii kana vanhu vaikuonai
muroad vanoti chii"

"Ipapo muri right Mainini


ndakambotaura navo dad kuti hakuna
problem isina solution zvinhu
zvogarirwa pasi zvogadziriswa" i said.

"Iwewe wakangwarira ndoda kuti


uzouya kudzidza Harare uchigara neni
I really like your behavior that's why
mai vako vachidada newe" said Mai
Roy.

"Zviri kundinetsa kutambira munoziva


ndaisambofungira Idriss angaita
zvakadaro.Nyaya iyi iri kunditemesa
musoro dai Mai Morgan ari pano
aikwanisa kundibatsirawo nemamwe
ma advice"
"Idriss wacho anofana kudzoka
pano.Makamudzingirira zvino toziva
aripi here.Even Morgan wacho
anofana kunga ari pano.Zvinhu izvi
zvinoda kuronga as family takaungana
umwe naumwe achipa muono wake
then toenda mberi" said mai Roy.

Ndakaenda kunogeza ndikasiya vaviri


ava vachitaura nyaya dzavo.Ndapedza
ndakachinja hembe dzangu ndikaisa
chikafu mulunch chandanga ndabika.

"Ndichambosvika kuchipatara" i said.


"Mira tingoenda tese" mainini said.

Takabva taenda tese tikasiya pamba


pasina munhu.Asi tasvika pachipatara
painzi panobvumidzwa kupinda vanhu
2 kuti vaone murwere.Baba vakabva
vatomhanya kupinda ,mai roy
vakatevera kumashure.Takaenda
zvedu kunogara pabench
naAnaya.Pasina nguva ndakaona Mai
Roy vachibuda vakabatwa nemanurse
vachichema.
"Ko chii chaitika" ndakabvunza.

Ndakamhanya kupinda muward maiva


namhamha.Ndikaona vakabaiwa
zvimatambo zviya zvemuchipatara
vakaiswa chinhu che oxygen chiya
musoro wavo wakasungwa
bandage.Baba vanga vakabata ruoko
rwamhamha vakangovatarisa.Mhamha
vanga vatori flat zvavo ndichivaona
ndakabudisa musodzi.

Takauya tikabudiswa tichinzi visiting


hour yapera.Kudzoka nechikafu
chandanga ndauya nacho
kwakandirwadza.Ndakaenda ku office
kwadoctor ndichichema.

"How can i help you young girl"

"Promise me kuti muchaporesa


mhamha vangu coz she is my
everything I can't live without her"

"Mwari ndivo vanoporesa mwanangu.I


will try my best asi vakakanganisika
musoro zvekuti vanogona kumuka
vaka losta memory"
"No problem as long mhamha vangu
vari vapenyu chete"

Anaya akabva auya kunditora


takuenda Mai Roy vakaramba kubva
pachipatara ndakaona vakarwadziwa
nestate yaiva namhamha.

"But ndimi maiudza baba kuti tinofana


kuronga zvinhu tiri pamwe chete ko
toronga sei imi muchiramba kubva
pano.Hamusimi maitsiura baba
muchiti hasha hadzina zvadzobatsira
ko kuchema kobatsirei, imi
mukachema ini ndozoita sei"i said
ndakavatarisa misodzi yaitoda kubuda
asi ndakazvidzora.

Mai Roy vakasimuka vakandimbundira


takabva taenda kumba.Baba havana
kumbotaura chinhu takasvika pamba
paina Mai Lenon.Ndakarohwa nehana
ko vauya kuitei kuti havasi vakuziva
zvakaitika here.

"Mai Dzoto varipiko nhai ndine nyaya


navo"
"Mhamha vari kuchipatara" i said.

"Kuchipatara kunodii asi havasi


kunzwa mushe"

"Yes vakadonha musoro wavo


ukarovera padombo" i said ndakatarisa
pasi handina kuziva kuti misodzi yanga
yakuyerera pamatama angu.

"Oooh very sorry Pacify handina


kuzviziva.Usachema vanopora ini mira
ndizoenda kunovaona masikati.Pakafa
Lenon vakamira neni saka ndinofana
kumirawo nawo ndisahwira wangu
wepamoyo" mai Lenon said vakabva
vatoenda kumba kwavo.

Ndakatora foni yaMai Roy ndikazama


kufonera Morgan but foni yake
yaitoramba.Ya Idriss yacho
yaitorambawo.

"Ndinoda ku confirmer kuti zvakataura


Lenon ichokwadi here nekuti zviri
kundinetsa kugamuchira" said dad.
Vakabva vabuda ameno kwavakaenda
vakazodzoka masikati vakasuruvara.

"Ndabva kwamadzibaba kuzasi uko


andiudza kuti tiri kufana kunoripa ngozi
iyi nekukurumidza pasina izvozvo
inoenderera mberi nekuuraya.Idriss
andirwadzisa shuwa ndakapomera
mwana wangu Morgan mhosva
yaasina zvino ndichatarisana sei naye"

"Ndaona zvakanaka kuti titume Pacify


uyu kuna Morgan anotaura naye kuti
auye.Isusu tosarawo tichitsvaga Idriss"
said mai Roy.

"Handina mari yekumupa Pacify yese


yakabiwa naiye Idriss zviri nani
nditotengesa kambudzi ndione
pekutangira apa tine nyaya iri
pahanging kumba kwana Anaya zvinhu
zvacho zvatiwandira" said dad.

"Pamari don't worry Pacify ndomupa


yangu"

Ndakapihwa mari naMai Roy


neyekudya muroad.Ndakarongedza
kabag kangu ndaisaziva ndiri kunoita
mazuva mangani ndiriko.Ndakaenda
nekuchipatara ndikanamatira mai
vangu ndikabva ndatorova
pasi.Ndakazosvika kucompany
kwaishanda Morgan kwava
kusviba.Mkoma vangu vanga vari HR
pacompany iyoyo.Pandakasvika
ndakaendeswa kuoffice kwavo
ndakavaona variko zveshuwa.

"Pacify"

"Mukoma"
"Wavingei pano, okay wait" hameno
munhu wavakafonera.

"Rex perekedza hanzvadzi yangu


kumba kwangu" said mkoma vakabva
vandipa makeys.

"Pacify now ndiri pabasa totaura


ndauya"

"Okay big bro"


Ndakapekedzwa kumba kwacho
ndakasvika kuona yaitova imba
hombe.Rex akabva atodzoka
zvake.Ndakavhura mumba ndikaona
mune masofa emberi chaiwo mune
ziTV plasma rakakura.Mkoma vangu
vairarama kalife kemberi chaiko.Saka
why vasina kutiudzawo kuti vakatenga
imba hameno ndozobvunza vauya.

TV yacho ndaimboziva inobatitwa


nepapi here.Ndanga ndajaira kedu
kegotsi.Mkoma vakazouya kwava
kusviba.
"Mkoma imba yenyu yakanaka
ndaifarira ndikashanda ndoda
kuvakawo yakadai"

"Haisi imba yangu pano ndiri kurenter


but iri pasale zvayo imba yacho ini
mari yekutenga imba haisi kubatana
ndiri kufunga kutengesa mota" said
mkoma.

"Mota yakanaka iyo akomana"

"Ndakaita dzungu pakumhanya


kutenga mota apo.Manje zviri nani
kutanga ndawana pandinoti pangu
ndozotenga mota kutokura uku apana
pandicharamba ndichigara pamusha
pevabereki "mkoma said.

"Yaa ipfungwa yakanaka zvayo but


hamuna kubvira makambondiratidza
makoti wangu"

"Wakuwanza nyaya hauna nzara here


tiende kunotenga chikafu parestaurant
apo ndine husimbe kubika"

"Aaah ndiratidzei pane chikafu ndibike"


Takapinda mukitchen maitova ne
4plate stove ndicho chirungu.But
problem ndaisagona kuishandisa
mkoma vakandiudza ndikatobata
hangu.Ndakabika tikadya but mkoma
havana kumbobvunza kuti kwandabva
kuri sei vanga vachakatsamwa.

"Hamuna kubvunza kuti kwandabva


kuri sei why"

"Kana wava nehope enda unorara


Pacify'
"Handina hope mukuzviziva here
mhamha vari muchipatara life yavo itori
patambo" i said.

"What!!!!!!!!"

"Ehe"

"Chiii chakaitika tell me"


Ndakavaudza zvakaitika zvese
nezvakataura Idriss.Mkoma Morgan
vakavhura maziso zvekutidza
kushamisika.

"I can't believe it Idriss haadaro"

"Manje akatozviita baba vaudzwa futi


kwamadzibaba kwavaenda"

"Apa ndiri kudzokerera mhamha chete


ndoda kunovatora ndiuye navo
kuno.Idriss achapedza nyaya dzake
naivo mudhara vakandipumha mhosva
dzandisina kumboita.Ndakazviona
kutenga mota kwandakaita kwakaita
vandifungire unoziva ndakaita makore
mangani ndichiunganidza mari
yekutenga mota iyi munhu ozomuka
achiti ndakaromba" he said nehasha
handina kuvapindura

Ndakaratidzwa room rekurara maitova


nebed yakanaka kupfuura yandairara
kumba.Bed iyi yaiva yakaita kakwirira
mudenga ndakatombospina
ndiripo.Waiva comfortable zvofadza
mhani ndichautenga pandoita
mari.Ndoda kutengerawo vabereki
vangu vambonzwavo kamutepfe tepfe
kari pabed apa.Kuchiedza Morgan
akamukira kubasa akandisiya
ndega.Pasina nguva anga adzoka
tikabva tadzokera kumusha ndakagara
zvangu paseat iro richazogarwa
namakoti wangu.

Takasvika doc vakatiudza kuti


mhamha vawedzerwa ropa naMai
Roy.Ndakanzwa kufara ndakaona
pasina need yekuchinja mhamha
chipatara zvaida kuita mkoma
Morgan.Anaya akazouya nenyaya
yakatuvhundutsa.
"Wati Idriss aita sei" ndakabvunza
ndaifungira kuti pamwe handina
kunyatsa kunzwa.

_drop your comments_

*Watch out for chapter 12*


*PACIFY*
https://chat.whatsapp.com/IH4pcIBRX
Mn6Y8z3Tpwphn
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
*Chapter 13*

*Sarudzai*

Sometimes pamba pakashaya munhu


wechirume vanhu vane kakujairira
kavanoita.Ndaishaya kuti why ndaiva
nemunyama wakadaro kuti
ndakacurswa
ndinotozvishayawo.Hakuna chinhu
chorwadza sekupomerwa mhosva
yausina kuita.

"Saru huya pano"

"Ndauya mhamha"

"Ndiwe wakaenda kunoona Mai Pacify


kuchipatara vari sei"

"Haa mhamha havasati


vangomuka.Ndinongonamata dai mai
vaya vapora havana chitema
nemunhu" i said.

"She will be okay don't worry my


daughter"

"Mhamha why musingadi


kundiratidzawo kwakavigwa baba
vangu.Now ndakura ndakufana kuziva
hama dzangu"

"Zvehama dzako wotoudzwa natete


vako ndivo vanoziva.Baba vako
pavakafa vakangondi introducer kuna
tete vako chete.Takangoita 5 months
tichidanana vakabva
vatoshaya.Vakandisiya ndine mimba
yako" said mhamha vakatarisa kuside.

Ndakashaya why vakataura vakatarisa


kuside nekuti pese patositaura
vanonditarisa.Kutaura nyaya dzakadai
mhamha vaisadzida unenge wava
kuvanetsawo hako.Pamwe
zvinovarangaridza umwe.Ivo tete
vacho ukavabvunza vaisambotaura
zvine musoro.

"Ko kwakavigwa baba vangu"


Mhamha havana kupindura vakabva
vapinda mumba mavo.Pandakatevera
ndakaona vachichema asi
vakakurumidza kupukuta misodzi asi
ndanga ndazviona.

"Sorry mhamha handichabvunzi sorry"

"Hapana chawatadza mwanangu"

Ndakabva ndabuda kuenda


kuhuni.Ndipo pandakaona Idriss
akabata banga achida kuzvibaya naro.

"Stop Idriss"

"Sarue handisisina reason yekurarama


panyika.Zvitadzo zvangu zvakatsvuka
seropa family yedu yapinda
munataisireva nekuda kwangu.Hapana
ari kundinzwisisa handina kuita
ndichida" said Idriss achichema
zvonzwisa tsitsi.

Ndakatadza kubatanidza nyaya


yake.Chandakakwanisa kutora banga
rake raanga anaro ndikarikanda kure.

"Idriss uri kuona mai vako vari pacoma,


iwe uri busy kuda kuzviuraya unenge
wava kurwadzisa family yako.Hakuna
chinhu chisingagadzirike best advice
yandokupa enda kuna Pastor venyu
wovaudza zviri kunetsa
vachakubatsira" ndakadaro ndikatanga
kufamba zvangu.

"Sarudzai"
"Chiii"

"Sarue kubva kudhara ndaikurwarwira


ndinokuda.Ndiwe wandingararamira
hangu"

"Hezvo ukati haupengi here iwewe"

"Sarue nditori serious iwewe


ukasandida handioni reason
yekurarama panyika pano" he said
achienda kunotora banga randanga
ndakanda kure.
Ndakaona kuti munhu uyu aida
kundipinza pamuyedzo
chaipo.Ndakamhanya kumba ndaida
kunoudza family yake lucky ndakabva
ndasanganawo
naAnaya.Ndqkamuudza but aitondiitira
tuma mood twunobhowa.

Takaenda tese kwandasiya Idriss


ndikasvika akagara akabata banga
pakationa akanyepera kubata banga
kunga akuda kuzvibaya.

"Saru uyu wauya naye kuti aite sei"


"Mukadzi wako ini regai ndiende"

"Sarue I love you kwete Anaya uyu


kana usingandide just tell ndigare
ndaenda hangu kunyikadzimu"

"Kanganwa ini newe hatife


takadanana.Enda kuchikadzimu
kwacho" i said.

Ndakabva ndavasiya vari 2


naAnaya.Dai aida kuzviuraya
azviuraya kare kuda kundityisidzira kuti
ndimubvume.Ndakatsvaga huni
dzangu ndikaenda kumba.Ndakasvika
kuudzawo mai vangu drama
randaitirwa naIdriss.

"Iwe hausi wava kundinyepera here"

"Mhamha handisi kunyepa ini


zvakaoma"said

Pacify akabva asvikawo pamba pedu


asina mufaro.

"Is that true kuti Idriss aida kuzviuraya"


akabvunza.

Ndakaudza Pacify zvese zvakaitika


akaratidza kubatikana.Manheru ezuva
iri ndakatumwa namhamha kumba
keshamwari yavo.Ndiri muroad kuenda
ndakasangana naIdriss ameno
aibvawo kupi.Akabva andivharira road
ndakabva ndamira ndakanyarara.

"Sarudzai hausati wandipa answer


yangu"

"Answer yechii"
"Usanyepera kuvhiringa Sarue I know
you love me but ukutya kundibvuma
coz of Anaya ndanyepa here" he said.

"Ayas kuti ndinenge ndashaya


chii.Idriss handidi kukuhwandisira
chokwadi chaicho ndechekuti
handikude handife ndakakuda.Dai uri
umwe uchitoda Anaya mukadzi wako
nekuti anokuda"

"I don't love her.Akangozvara chete


anorova pasi pauri handiite give up
Sarudzai.Maoko angu akatosviba coz
of you" he said achiswedera pedyo
neni.

Ndakatanga kufamba ndichidzokera


shure.Ndikanodhumira pamuti iya
akamira pamberi pangu ndakasimudza
maoko ndichida kumupusha akabva
amabata.Pakabva pasvikawo munhu
wandisina kuziva kuti ndiani
akavheneka kwatanga tiri light.

"Idriss uri kuitei ipapo ko ndiani


waunaye ipapo.Tiri busy kugadzirisa
nyaya dzako wava kuda kuparamura
imwe" ndakatonzwa ivoice rababa
vake.

"Oh Sarudzai ndiwe ndakagara


ndazviona kuti uri hure.Idriss uyu ane
mukadzi chiii chaunoda pamwana
wangu ndiwe honzeri pazvinhu
zvakaitika izvi.Ndoda kupfuura
ndichiona mai vako"

Baba vaIdriss vakatora mwana wavo


vakaenda.Ko why vachiti ndini honzeri
pazvinhu zvakaitika ndezvipi
zvacho.Ko uyu Idriss paati maoko ake
akasviba ari kurevei.Ndakabhoekana
handina kuzoenda kwandatumwa
namhamha.Ndakadzoka kumba
ndakagumbuka Idriss anga akunyanya
kundisizer.

"Watodzoka wasvika here iwewe"

"Ndichisvika kupi naiye Idriss


anonditsoma kunga ndiri mwana
wake.Baba vake vandituka hanzi ndiri
hure inini.Ndaneta nekutukwa nevanhu
vemuvillage muno mhamha ndaneta
ini"
"Mwanangu ndosaka ndakakuti enda
unogara kwatete ukaramba.Mira
ndisvike pamba paVaDzoto ndoda
kuvaonesa vabate mwana wavo" said
mhamha.

"No mhamha siyanai nazvo"

"Handinyarare nekuti ava kuenderera


mberi"

Mhamha vakapfeka bhutsu


vakabuda.Ndakavatevera ndichizama
kuti vasaenda nekuti ndaitya vanogona
kutukwa naMr Dzoto ndovaziva
havanawo mukanwa.Takasvika vese
varipo.

"Mai Sarue ndanga ndichitoda kuuya


kumba kwako.Bata mwana wako
chihure ari kuchinyanya.Why
achiramba achitevera mwana wangu
Idriss ane mukadzi uyu"

"Shuwa baba Sarue ano seducer


munhu wangu I hate her" said Anaya

"Mr Dzoto handina mashoko akawanda


nemi batai mwana wenyu.Hakasi
kekutanga ndichinzwa macomplains
aya.Zvekutambudzirwa mwana wangu
handidi newewo Anaya utaure zvinhu
zvaunoziva" said mom

"Sorry Mai Sarudzai ndinobvumirama


nemi Idriss musikanzwa
anoiwanza.Mutiregerewo please
ndichazama kutaura naye" said
Morgan.

Pamba apa Morgan naPacify ndivo


vandakaona kuti vanonzwisisa
kupfuura vamwe vese.Patanga
takuenda Morgan akauya patiri
akatiperekedza.

"Sorry nemashoko ataura baba vangu


ndinoziva akurwadzai.Kungoti vatoriwo
nestress.Sorry Sarue izvo
hazvichaitike futi ndichagara pasi
naIdriss"

"Thanks mkoma Morgan" i said.

Morgan akabva adzoka ndakafarira


hangu kahunhu kake ari
humble.Akabva atodzoka zvake
tasvika pamba moms vari zii.

"Rara warongedza hembe dzako"

"Hembe dzei futi"

"Ita zvandataura Sarue"

"Ndorongedza ndisingazive kwandiri


kuenda here"

"Tiri kuenda kwatete vako ndoda


kunokusiya ikoko" said mom

"No mom"

"Handisi kuda zvema no nhasi"

Vakabva vatopinda muroom mavo


vakarara.Ndakadya chikafu changu
ndichipedza ndakabva ndarova prayer
yakasimba ndikabva
ndatorara.Makuseni ndakamuka moms
vatogeza vatorova mucheno.
"Ndamira ndiwe geza tiende"

"Hakuna kwandiri kuenda kusvika


mandiudza kune guva rababa vangu" i
said ndakarova serious.Mhamha
vakangonditarisa asi havana
kupindura.....

_drop your comments_

*Watch out for chapter 13*


*PACIFY*
https://chat.whatsapp.com/IH4pcIBRX
Mn6Y8z3Tpwphn
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
*Chapter 13*

*Pacify*

"Tiri kuzama kugadzirisa nyaya dzako


iwe wava busy kutevera Saru.Haunzwi
uri munhu akaita sei" said Morgan

"Ko ndaita sei imhosva here kuda


munhu"said Idriss
"Kuda munhu kwei remember wava
nemukadzi wava kufana
kudzikama.Tiri kuzama kuti tionesane
pano kuti tinoripa iwe hausi kutomboita
serious nazvo" said Morgan

"Apa uri rombe zvaro dai une chinhu


better Sarue waunoda unomupei
unorigona barika iwewe gara
wadzikama nekuti sis vangu vari
muchipatara nekuda kwako"

Idriss akabva aramba


akanyarara.Ànaya akatanga kuchema.

"Ndakuda kuenda kumba kwedu pano


hapana zvandingagarira hangu" said
Anaya.

"No Anaya wakatakura ropa


repamusha pano hakuna kwauri
kuenda.Tichipedza kugadzirisa nyaya
dzengozi idzo togadzirisa dzako.Don't
worry about Idriss achadzikama
hake"said Mai Roy.

Takaenda kunorara asi kunamata


ndaisarega kana iye Anaya wacho
anga akugonawo.Makuseni tichimuka
ndakaona dad naMorgan vanga
vamuka kare vaitaura vese asi
waitoona kuti apana kuwirirana.

"Dad zvimwe tingataure mashoko enyu


handimakanganwe makandipumha
zvandisina kuita.Apa ndiri kungoitira
Mai vangu naPacify zvichipera izvi
hamundioni pano kana mari yangu
hamuoni futi" said Morgan

"Imi varume kwanai dai muri vamwe


muchitaura kuti tosvitsa sei nyaya
kumba kwana Lenon"said Mai Roy.

"But chinhu chinondibhowa Idriss


wacho haasi kumboitawo serious
nenyaya iyi asi ndiye mupari.Ndinoona
zvakanaka ndishevedze mufundisi kuti
vauye pano tivaudze nyaya yedu
votibatsira masvikiro atingaita kwamai
Lenon" i said ndakatarisa dad.

"Pacify uri correct mwanangu" said Mai


Roy

"Correct yechiii mufundisi haasi kuuya


pano.Munoda kuti azotiparidza
kuchurch kwake no.Isusu
ngationesane masvikiro atingaita
kwete zvamufundisi iwewe Pacify gara
wanyarara panyaya iri uri mwana
mudiki"

"Ndiyo problem yamunayo yekushoora


ma advice evamwe.Pano tiri
kuonesana uyu ataura mafungiro ake
imi hamuna kana 1 chamambotaura
busy kuswera kuitira Pacify
hasha.Pano tiri kuita mahumbwe
hapana zvobuda ndiri kutokuudzai"
said Morgan achisimuka kuenda
kunogara kumota kwake.
Ndakamuona ava pacall ameno
akafonera ani.Mudhara vakasimukawo
vakadhiniwa ameno vakabuda kuenda
kupi.Ndakaenda kunoswera
kuchipatara kuna mai
vangu.Pakavhura mhamha maziso avo
ndakajamba mudenga
nemufaro.Vakangonditarisa vasina
chavataura ndipo pakapinda nurse
vakati ndimbobuda vaite matest
avo.Ndakanamata nechemumoyo
ndichitenda Mwari nekumutsa mai
vangu.Doc pavakandiudza mai vangu
va losta memory havana chavachaziva
zvakaitika ndakafunga
kunyepa.Ndakapinda mavanga vari
ndikasvika vakamuka.

"Mhamha" i said vakaramba


vakanyarara.

"Asi havachataure here doc"


ndakabvunza.

"Ndiwe ani" vakabvunza mhamha.

"I'm your only daughter mhamha why


muk....",
"My only daughter?"

"Yes mhamha ndaiziva hamunditadze


kundiziva" i said ndichienda pavari
ndichida kuenda kunogara pedyo navo
asi matarisiro avo akandityisa.Kuita
semunhu atanga kundiona.

"Mhamha kumba uko hakuna mufaro


musipo.Hapana chiri kumbofamba
zvamamuka kudai I'm happy kuti
zvichafamba" i said.
"I think waita mistake I'm not your
mother handitorina mwana.Please go
away I want to be alone"

"No mhamha asi muri kujoker kana


muchiti hamusi vangu munenge
muchireverei"

Doc vakanditora vakabuda neni


ndaitadza kuzvigamuchira kuti mai
vangu
havachatondizive.Ndakakumbira foni
ndikafonera Morgan akauya.Asi
mhamha vakatadza kumuziva futi.
"Idriss i hate you ndiwe honzeri mai
vangu vakanganisika njere nekuda
kwako shittt" said Morgan nehasha.

"Mkoma zvinorwadza asi


ngatingotenda Mwari kuti vapenyu" i
said.

Takangosimbisana namkoma vangu


tikapinda mu office ma doctor.
"Saka doctor mai vangu vachapora
here I mean vachandiziva here kuti
ndiri mwana wavo"

"Yes vachaita zvakanaka kana


mukatevedza zvandichataura"

"Tiudzei"

"Musaita pressure yekuvarangaridza


zvakaitika kwavari or zvavanoziva
zvinogona kuvakanganisa.Ndichakupai
mushonga wekuti ronda riri musoro
ripore asi don't forget kuuya navo kuno
kumacheck up"

"Saka apa tava kuenda navo here"


ndakabvunza

"Now tavabaya injection rekuti


vazorore imi mouya masikati
movatora"

Takabva taenda kumba tingori


zii.Takasvika pamba pangori naMai
Roy naAnaya chete.Ndakaudza Mai
Roy zvese zviri paground
vakazviramba.Nguva hadzinonoki
kufamba takaenda kuchipatara.

"Susan you are here I'm happy" said


mom vachireva Mai Roy.

Vakabva vambundirana saka zvaireva


kuti mhamha vangoziva munin'ina
wavo chete.

"Ko ava ndevapi"

"Sekai ava ava vana vako asi


hauchavazive"

"Why musiri kunzwisisa ndati handina


vana"said mom

Ndakaenda pana Mai Roy ndikataurira


munzeve kuti vasaisa mhamha
papressure.Takabuda namhamha
tikaenda kumba asi maziso avo
aisabva pandiri vaiita kunga vari
kundifananidza hameno.Tichisvika
pamba mhamha vaitozviita kunga
mutsva.
"Saka ndipo pawakugara here Susan"
vakabvunza mhamha.

"Yes Mai Morgan"

Mhamha vakabva varamba


vakanyarara.Ndakabika chikafu
ndikada kuvapa asi
vakaramba.Vakabvuma vapihwa
naMai Roy.Dad vakauyawo manheru.

"Mai Morgan wauya yava sei muviri"


Mhamha havana kupindura vakaramba
vakanyarara.Mai Roy ndivo vakabuda
namudhara panze vachivaudza zviri
kuitika.Pakurara mhamha vakarara
muroom mangu asi havana kurara
vachichema musoro wavo
wairwadza.Kuchiedza hama dzese
dzakauya ndakatoziva Morgan ndiye
anga afona achida titaure nyaya
yekuripa ngozi.Takavaudza zvakaitika
asi Gamu ndiye akatadza
kuzvitambira.

"Ndakazviona kuti something is wrong


uriwe zvako Idriss.Baba vangu vakafa
nekuda kwako iye Saru wacho
ambonaka zvakaita sei zvekusvika
pakuuraya munhu" she said.

"Gamu calm down"

"Handinyarari mai vangu izvozvi


vakutorwara kubva pakafa baba vari
kutadza kuzvigamuchira.Idriss wakadiii
kutaura kudhara dai zvese zvisina
kumboitika" said Gamu.

Gamu akatora muti akarova Idriss asi


akapushwa akadonha.
"Ndakakuudzai kuti handina kuita
ndichida tairwa.Sei musiri kunzwisisa
nhai.Iwewe Morgan tell me hausati
wamborwa nemunhu here.Kurwa
kunowanikwa asi kungoti mhepo
dzakasimukawo Lenon akafa asi
chokwadi handina kumuuraya
ndichida" said Idriss.

"Saka kundipusha ndokuita sei enda


unomutsa baba natete vangu now
wanzwa here.Ehe toti zvakaitika
nemistake saka wakadiii kutaura heee
dai pasina zvese izvi.Ndakuenda
kunovaudza chokwadi Mai Lenon
vacho" said Gamu achisimuka kuenda
kumba kwamai Lenon.

Everyone akazama kumumisa


vakatadza.Izvi zvaisaita kuti aende
tisati taonesana.Ndakamutevera
ndakazomubatira tatosvika pamba
pamai Lenon.

"Sis Gamu I'm sorry nezvaitwa


naIdriss.Haisi nguva yekuitirana
hasha.Ngatitange tapedza nyaya
yengozi iyi tozoita zvimwe.Tinofana
kubatana Sis Gamu.Tisu tinofana kuita
family yedu ive ne peace & unity" i
said.

"Pacify wakura wava kufunga"

Takabva tambundirana nasis


vangu.Mai Lenon vakabva vasvika
patiri vachida kurasa marara
mubin.Takabva tangosvika pamba
pavo.Imwe pfungwa yaindiudza kuti
taura nyaya yacho.But mai ava
havanzwisisike vanogona kungokuisa
demo nehasha dzavanadzo.

"Sorry Pacify zviri kundiremera kugara


nezvinhu zvakadai ndakuvaudza"

"Sis ndambozvifungawo but Mai Lenon


vane hasha totemwa nedemo dai paiva
nemurume wavo zvaiva nani nekuti
anonzwisisa" i said.

"Muri kuda kundiudza kuti chiii asi


zvine chekuita naLenon here"
vakabvunza Mai Lenon vachiratidza
kuti vanzwa zvatanga
tichitaura.Takabva tatarisana naGamu.

"Aaaaah aiwa"i said


"Saka why wataura zvekuti ndine
hasha.Something is fish girls
ndiudzeiwo apana zvandamboita ini"

"Aah hatina nyaya" said Gamu

"I know mune nyaya pamasvika


ndakuonai makamira uko muchitaura
asi handina kunzwa zvamataura.Asi
maitiro enyu andiudza kuti mune
something chamusi kuda
kundiudza.Just tell me"
"Okay let me tell you but please
musandiitira hasha ndaisada
muzvinzwe nenzira iyi vakuru ndivo
vaifana kuuya kutaura nyaya iyi" i said
ndakatarisa pasi misodzi ikatanga
kuyerera.

Morgan akabva asvika


achimhanya.Akazama kuda kutitora
tese naGamu asi Mai Lenon
vakaramba.

"No Morgan vasikana ava vane nyaya


yavari kuda kutaura.Pacify taura
handikuitire hasha"

"Idriss naLenon vakarwa nekuda


kwaSarue.Mukurwa uku ndimo
makafira Lenon but haana kuuraya
achida sak......"

"Whattttttttttttttttttttt"
_drop your comments_

*Sorry previous chapter ndiyo chapter


12 iyi ndiyo 12*

*Watch out for chapter 14*


*PACIFY*

https://chat.whatsapp.com/IH4pcIBRX
Mn6Y8z3Tpwphn
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 15*
*Sarudzai*

"Okay kana usingadi kuenda chisara


pano chikafu changu ndiri kukiya" said
mhamha vachitora bag ravo vakatanga
kutofamba.

Ndakatoona kuti apa hapana


yekutamba kungotevedza zvavari kuda
zvacho.Takasvika kwatete vatoripo.

"Tete udzai mwana chokwadi inini


handikwanise zvinondifungidzisa kure"
said mom

"Chokwadi chei"

"Ndiri kuda kuratidzwa guva rababa


vangu"

"Chokwadi chiripo ndechekuti baba


vako havana kufa vapenyu" said Tete

"What saka mhamha maindinyepera


makore ese aya why"
"Saru gara pasi nditaure handisati
ndapedza.Mai vako ndini ndakatoti
vakuudze kudaro"

"Why"

"Baba vako vakamitisa mai


vako.Pavakangoona mai vako vane
nhumbu vakabva vaudza mai vako
vabvise nhumbu asi
vakaramba.Ndakapindira ndichipikisa
izvozvo baba vako vakandirova kubva
ipapo takabva tavengana
ipapo.Vakanoudza dzimwe hama kuti
ndinoroya kutaura kuno apana hama
inondifarira kunze kwako.Panga pasina
need yekukuudza baba vako
vaisakuda vaida kutokubvisa iri
nhumbu" said tete maziso avo ajenga
misodzi.

Mashoko akataura tete akandirwadza


ndakatodemba dai ndisina
kubvunza.Zvinobatsirei kuziva baba
vacho vaida kundibvisa ichiri
nhumbu.Dai vasiri mai vangu natete
kutaura kudai ndisipo.Ndakatozviudza
kuti andichafe ndakabvunza futi
zvababa hama dzangu ndimai vangu
natete chete.
"Day rakatiza baba vako vakasiya
vandirova vaifunga nhumbu ichabva
but tenda tete vako ava vakamira neni
zvakaoma.Ukaita mari dzako
usavakanganwa ihama yako iyi
hanzvadzi yababa vako chaivo" said
mhamha.

"Sorry mhamha ndaisaziva ndizvo


zvamakasangana
nazvo.Handitorinawo basa navo baba
vacho kwandiri vakafa"
Mumba makamboita
karunyararo.Ndakabva ndabuda
ndichisiya vaviri ava.Tete
vakanditevera vakagumbuka
ndakatoshaya vaitwa sei.

"Ko sei waisandiudza kuti Mai Lenon


vari kukupomera mhosva yausina kuita
heee"vakadaro tete nehasha.

"Ummm tete ndaifunga mhamha


vakakuudzai"

"Manje tiri kudzoka tese kudunhu


renyu ndoda kunovaona mai
ivavo.Vakatadza kubudisa humbowo
ndiri kusvitsa nyaya kwasabhuku
wenyu havaite zvinhu zvakadaro"

"Tete dai mangosiyana nazvo ndosaka


ndauya naye kuti agare kuno kuri
safe"said mom

"Mai Sarue ndatogumbuka izvozvi


hamuna rugare nekuda
kwavo.Ndinozvipedza inini mirai
muone kungoti manonoka kutaura"
Ndaifunga tete vari kutamba ndakaona
vatobuda vakabata kabag kavo.

"Ngatidzoke izvozvi ndiri kuda


kunopedza nyaya idzi nhasi
chaiye.Zuva rinovira zvatopera izvi"

Takadzoka futi kumba mhamha


vaizama kutsiura tete but vaisada
kutombozvinzwa.Takasvika vakaisa
mabag avo mumba.Vakandibata ruoko
tikananga kumba kwaMai Lenon
takasvika pachiita kunga pasina
munhu.Takanoka padoor pakabuda
Baba Lenon.

"Makasimba here ,pindai mumba


titaure takagara pasi"

"Handina kuvinga kumhoresana


pano.Mai Lenon varipi ndiri kuvada
izvozvi"

"Hezvo kwakanaka here"

"Ndati Mai Lenon varipi"


"Sorry vari kuchipatara vari kurwara BP
yavo yakakwirisa nekuda kwezvinhu
zvakaitika mazuva apfuura aya" said
Baba Lenon.

"Ndini tete vaSarue uyu wamuri


kupomera mhosva yaasina kuita.Ndiri
kudzoka pano kana mai Lenon
vadzoka"

"Wait wait ", said baba Lenon but tete


havana kuda kuzviterera.
Takadzoka kumba tete vanga vatori
nehasha.Ndakanzwa kufara kuti
atleast vamirawo neni.Mhamha vangu
vari too soft handitozive chii ndosaka
vanhu vachivajairira.

Pastor vekuchurch kwana Pacify


vakapfuura nepamba pedu.Yaiva first
time yavo kusvika pamba pedu.

"Ndimi mai vemusikana uyu here"


vakabvunza Pastor.

"Ehe ndini ava nditete vake"

"Ndauya nemessage yandatumwa


nayo kwamuri"

"Yabva kunani kana vari Mai Lenon


handidi kutoinzwa hangu"said tete.

"Message yenyu yabva kuna


Mwari.Ndaoneswa muri kutambudzika
nekupomerwa kuri kuitwa mwana
wenyu pamhosva yaasina
kupara.Ndinoda tinamate imi muri
vatatu makabatana maoko nekuti ndiri
kuona akapara mhosva iyoyo akabuda
ega pachena."

Takabatana maoko Pastor vakatanga


kunamata zvavo.

"Une ramangwana rakajeka


mwanangu manje zvinoda kugara
uchinamata.Tete endai nemwana
anoona baba vake chitema
hachidzorerwi"
Pastor vaya vakabva vatoenda.Tete
vakasara vakangobata muromo.

"Pastor ava vanooneswa ndabvuma


hangu but Mai Lenon ndoda
kungotaura navo handisi kuzomira"
said tete.

"Okay no problem saka munoti chii


nezvataura mufundisi kuti mwana
anoona baba vake zvinoitawo here"
"Hakuna kwandinoenda ini.Handina
baba ini handitodi kunzwa nezvavo
kana zita ravo handitodi kurinzwa" i
said ndichipinda mumba.

Nenhamo yandakaona namai vangu


munhu ondiudza enda unoona baba
vako.Handiite zvakadaro never ndivo
vangatouya kundiona.Mazuva
akafamba Mai Lenon vakabuda
muchipatara tikaenda kumba kwavo
natete.

"Mai Lenon ndiwe uri kufamba


uchiudza raini rese kuti Saru ndiye
akauraya mwana wako.Budisa
evidence inosapota mashoko awuri
kuudza vanhu kana ukatadza
ndichaona zvandichaita haunga
shungurudze Saru wangu kana ndichiri
mupenyu"said tete.

"Sorry tete vaSarue dzaiva hasha


ndaitova murima.Ndiri kutoshaya kuti
ndonyarira kupi family yaDzoto ndiyo
yakauraya mwana wangu ndiri
kurwadziwa.Mai Morgan ndisahwira
wangu wepamoyo pakafa mwana
wangu aindinyaradza achiziva hake
kuti ndivo vakapfuudza mwana
wangu"she said maziso avo atojenga
misodzi.Wanga uchavaziva kuti ndivo
vekumbondiitira hasha.Ndaitoda
kurevenger but ndakanzwa tsitsi.

"Mati Mai Morgan ndivo vakauraya


Lenon here"

"Idriss ndiye ari kunzi akauraya but


family yacho yaizviziva asi vairamba
vari zii vachindiita benzi vachiona
ndichishungurudza iwewe usina
nemhosva.Ipapa Mai Morgan
kunyepera kunga arasa njere manje
neni tinopedzerana.Sarue ndicharipa
kune zvandakakuita I'm sorry
mwanangu.Kutaura kuno ndingadai
ndichitokuti muroora wangu"

Mai Lenon vakatanga kuchema


mukadzi mukuru airwadziwa.Apa anga
asina mazuva vabuda
muchipatara.Murume wavo akauya
kuvatora akapinda navo kumba.

"Saru ticharipa nezvatakakuita I'm


sorry" said baba Lenon

"Okay zvakapera chandafarira


ndechekuti mava kuziva akazviita
anofana kufira mujeri"

"Ndiri kuda kunosvitsa nyaya yacho


kwaMambo vanofana kutodzingwa
muno.Vanhu ava vanoroya masikati
machena hongu Idriss ndiye akazviita
but vese vaizviziva vachiramba vari zii"

Hapana zvatakapindura takaenda


kumba tiri zii natete.But why Idriss ane
moyo wakadaro.Saka vanhu vese
vepamba pana pavo vaitoziva
vachinyarara nhai.Takasvika kuudza
mhamha nyaya yacho vakaramba.
"Kungoti mwana akapara mhosva
newewo mubereki unenge
wakutobatanidzwawo.But chokwadi
ndechekuti Mai Dzoto havana
chavanoziva.Izvozvi vakarasa njere
lets pray for her arwe hondo iyi
pafamba satan apa" said mhamha
vachiratidza kunzwira Mai Pacify tsitsi.

"Nyaya dzakadai hadzipindirwe Mai


Saru ndati ndingokuudza hangu
ndozviziva unotamba naMai Dzoto but
usapindira siya vapedzerane.Kana
vakachena zvichangooneka" said tete.
"Handisi kuti ndiri kuda kupindira asi
state ina Mai Dzoto ndiyo iri
kundirwadza tete.Vakarasa njere
apana zvavari kumboziva kana vana
vavo chaivo havasi kutovaziva"

"Ko vachinyepera unoziva sei.Zviri


paviri izvi vanogona vakutiza nyaya
idzi vachinyepera"

"Rega ndinyarare hatisi kunzwanana"

Mhamha vakandipa mari yekunotenga


grocery kumashops.Ndakamhanya
kuenda muroad ndakapotsa ndatsikwa
nekahonda fit kaiita kunga kasakara.

"Kana musingagoni kudriver siyanai


nazvo munotsika vanhu" i said.

Mumota muya makabva mabuda


umwe mkomana akapfeka work
suit.Apa worksuit yacho ngaisvibe
yakazara ma oil nezvimwe zvinhu
zvewhite.

"Who are you anondiudza


zvekusagona kudriver.Iwewe unogona
here ndakunyara hangu next t...."

"Mkoma endai munopengera kure


ndimi maida kunditsika apa saka
mhosva yangu yava papi"

Mkomana uyu chiso chake chairatidza


kuti chitsva kwandiri.Akangosvipa mate
akapinda mukamota kake kakashata
akarova pasi.Ndakaenderera mberi
nerwendo but ndakasangana
naMorgan achiendawo kwandaiyenda
ari mumota.
"Pinda ndinokusiya kumashop ndiko
kwandiri kuendawo"

"Thanks mkoma" i said ndichipinda


akandivhurira door repamberi riya.

"Vari sei mhamha" akabvunza Morgan

"Vari bhoo zvavo"

"Nhasi kuri kupisa shem"


"Haa shuwa zuva racho ma1 chaiwo"

Takasvika ndikasara iye ameno


kwakabva aenda.Ndakapinda mushop
ndikatenga zvinhu zvangu but zuva
ranga rakunyanya.Ndakatofunga
kugara ndozoenda kumba kana kwava
nani.Pandakaona Morgan achisvika
ndakafara.Akanditora tikabva
taenda.Ndakadzikira pamba pavo
VaDzoto vachindiona vanotanga
kupopota.
"Wauya naSarue kuti aite
sei.Wamutengera grocery pachiii ihure
iri unodyiwa mari iwe ndati
ndingokuudza.Grocery iri ngaritosara
pano haudyiwe mari ndakatarisa" said
VaDzoto.

Ndaisada kuita nharo navo ndakatora


grocery rangu ndikatanga kufamba
vakabva vandimisa.Vachitora saga
randanga ndinaro.

"Baba sei muchiita kunga mwana


mudiki.Zvimwe zvinhu tangai
mabvunza musati maita hasha"said
Morgan akabva atora grocery riya
akabata akandiperekedza kumba....

_drop your comments_

*Watch out for chapter 16*


*PACIFY*
https://chat.whatsapp.com/IH4pcIBRX
Mn6Y8z3Tpwphn
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
*Chapter 14*

*Pacify*

"Whattttttttttttt" said Mai Lenon


vachidonhedza foni yavo.

"Ummm nda--nda---k-" mashoko


akaramba kubuda mukanwa Mai
Lenon vanga vakuuya pandiri.
"Waiziva zvese izvi uchinyarara kuti
zviite sei.Newewo Morgan izvi uri
kuzviziva zvese izvi makauraya mwana
wangu"

"No Mai Lenon zvinhu izvi azvina


kurongwa vana vakarwa ava mhosva
hatisi kuramba nek...",

"Ibva wagumira ipapo saka Lenon


mudziva akazvikanda ega
here.Makadii kuuya kutaura kuti vana
varwa pazvakaitika pacho but
pakunokanda mwana wangu mudziva
iwe Morgan ndiri kuda mese
munomutsa mwana wangu"

Mai Lenon vakatora bhemba Gamu


akabva atiza kuenda
kumba.Ndakatoona kuti apa tinouraiwa
nehasha dzina mai ava.Pandanga
ndakuda kutiza ndakatsika rara
rebanana ndikadonha vakabva
vandibata.Morgan naGamu vanga
vatorova pasi.Mai Lenon vakandibata
zvechisimba ndakatanga kuchema.

"Mai Lenon hapana zvandaiziva


panyaya iyi please musandiurayawo" i
said ndakapfugama but vakabva
vandipa mucheka wembama.

"Kana wakachena wanga


wakutizei.Vamwe vako vatiza kureva
kuti family yenyu manga makaplanner
zvekuuraya mwana wangu simuka
ipapo ndiwe uchanoudza vamwe vako
kuti mwana wangu hauraiwe sehuku"
she said vachibuditsa misodzi.

"Idriss ndiye akauraya Lenon


taisazviziva isu.Akazotaura manje
manje nekuti musha wedu wanga
wava kuparara.Vamwe vese havana
chavanoziva panyaya iyi Idriss ndiye
mupari wazvese" i said

Mai Lenon vakaisa bhemba ravo


pasi.Vakagara pasi chaipo vakatanga
kuridza mhere ndakafunga kutiza but
ndakaona kuti hazvitoite hapasisina
need yekutiza.Morgan naMudhara
vakabva vatosvikawo asi Idriss
aisavapo.

"Magona mauya regai ndipfeke bhutsu


tiende nemi kuguva raLenon
munomumutsa" said Mai Lenon
vachipfeka mapush avo vakabva
vatanga kufamba isu takaramba
takamira.

"Makamirirei handina nguva nemi


handei tione"

"Mai Lenon tauya takazvininipisa


tinoziva takanganisa hatisi kuramba
mhosva asi tauya kutaura nezvenyaya
iyi kuti toripa sei"said baba
vakapfugama pasi

"Chero mukapfugama handina basa


nazvo, zvekuripwa kanganwai
,chandoda mwana wangu pano or else
I will kill your only daughter Pacify
zvobva zvaita 50-50,"

Vaitaura vachiuya kwandanga


ndakamira vakabva vandidzipa
pahuro.Vakaramba vakandidzipa
zvekuti ndakazama kuda kuvabvisa but
yoo zvanga zvakaoma.Mweya
wekufema wanga wakuita uchipera
ndakatoona kuriko kutofa kwangu.

"Mai Lenon stop how many times


ndichiti dzidza kuzvidzora aita sei
Pacify waunodzipa kudaro" said Baba
Lenon vachisvika ndivo vakava
mununuri wangu ndingadai
ndakafa.Apa Baba naMorgan
vakatarisa pasina kana action yavari
kuitawo.

Mai Lenon vachiona murume wavo


vanotanga kuridza mhere.Vanopinda
mumba vakanopedza nguva
varimo.Vakazobuda taneta
nekuvamirira.

"VaDzoto pindai mumba titaure


takagara pasi" said Baba Lenon.
"No handidi kuona tsoka yavo mumba
mangu"

"Ndiudzei inyaya yei yaitika zvekuti


mukadzi wangu anotsamwa
zvakadai.VaDzoto kwakanaka here"

Baba vakaramba vakanyarara


vakatarisa pasi.Uyuwo Morgan kana
action anga akatomira kure
ndakatoziva kugadzirira kutiza.

"Iwe Dzoto taura nyaya yako"said Mai


Lenon nehasha.

"Sorry Baba Lenon regai nditaure


ndirini nekuti ava havangambotaure" i
said ndikabva ndataura zvakaitika
handina kuona kuti ndakapihwa
chibhakera nguvai ndakazongoona
ndava pasi.Kutaurisa kudai kuona
huruva Baba naMorgan vanga varova
pasi.

Baba Lenon vakadzoka vakapinda


mumba mavo.Ndaingonzwa
vachipopota varimo.
"Ndakagara ndazviona Idriss ndiye
akauraya mwana wangu.Manje neni
haiperi yakadaro never" said Baba
Lenon.

Mai Lenon vanga vakagara paveranda


vari zii.Ndakazongoona munhu
akusimuka achiuya pandiri.Mai Lenon
vanoda zvekundiuraya chete
ndakasimuka kutiza ivo vaitevarawo
kumashure.Kumba kwandakandiitira
ndakananga kumba kwana Sarue
ndikasvika pasina
munhu.Ndakakwidza kumba kwedu
Mai Lenon vakandipotsa
nedombo.Ndakasvika vamwe vese
vakagara panze vachindiona
vanosimuka kutiza asi mai vangu ndivo
vanosara vega.Ndakabva ndamira
ndaona kuti hazviite mai vangu vasare
vega.Mai Lenon vakasvika
nekupopotera mhamha.

"Mai Dzoto ndaisafungira ungandidaro


inga wainyatsa kuziva Lenon ndiye
mwana wandinaye imi mava
kundiurayira why anga atadzei mwana
wangu.Muri kunyepa kuti vakarwa
naLenon nekuda kwaSaru murimi
makamuuraya muchiromba"
"Sorry ndarasika ndimi ani.Nditori
mutsva pamba pano ndakauya
naSusan munin'ina wangu" said
mhamha.

"Eeeh vasikana mukada kunyepera


kuvhiringika ndokutemai nedombo iri"

Ndakabva ndamhanya kunobata Mai


Lenon.

"Mhamha vangu vaka losta memory


hapana zvavachaziva dai matosiyana
navo.Mai Lenon ndokumbirawo
munzwisise hasha hazvina
zvadzobatsira tinoripa nezvese
zvamunoda please try to understand
kana muchida kusungisa Idriss
handina problem nazvo asi chandiri
kuda kuti munzwisise"

Mai Lenon vakabva vamira


vakanditarisa.Baba Lenon vakabva
vasvika havana kutaura neni kana mai
vangu .Vakatora mukadzi wavo
vakadzoka kumba kwavo.
"Zvepamba paSusan zvakaoma rega
ndirongedze hembe dzangu ndiende
kumba kwangu" said mhamha.

Team rakabva radzoka kutaura


chokwadi zvavakaita kutiza vachisiya
mhamha handina kumbozvifarira.

"Dad naMorgan zvamunoita zviriko


here.Matadza kupindura zvaibvunza
Baba lenon sei kutaura shuwa
mandibhowa ndimi varume vacho but
apa makutoita sevakadzi ini ndini
ndakuita kunga baba vepano"
"Iwe taura uchiziva pekugumira
remember I'm your father.Iwewe
naGamu ndimi maita dzungu kunoudza
Mai Lenon tisina kubvumirana pano"
said dad.

"Dad vasikana ava vatogona nekuti dai


vasina kudaro tichiri kutoitisana nharo
pano.Nyaya yava pano ndeyekunoripa
manje tiri kufana kutoenda izvozvi
kunotaura navo"

Mhamha vakabuda muroom mangu


nekabag kaiva netuhembe twavo.
"Makaita basa nekugara neni
pano.Ndava kuenda kumba kwangu"
said mhamha

Kuchiri kulost memory here or kwatova


kupenga.Everyone akangovatarisa
tikaona vari kurevesa vakatanga
kutofamba.

"Mai Roy ndimi munokwanisa


kuvamisa please stop her"
"Kwavari kuti kumba kwavo ndekupi
hakusi kupenga uku" akabvunza
Morgan.

"No hakusi kupenga mhamha vako


vasati vasangana nababa vako vairoja
muHarare I think pamba ipapo ndiko
kuri kunzi kumba kwangu.Mira ndivape
pill rekuti varare"said Mai Roy

Mhamha vakamiswa naMai Roy


vakabva vamira.Vakapihwa mapills
vakanwa vakatanga kunzwa hope
vakaendeswa muroom mangu.
"Gamu naPacify muchasara
namhamha nekuti Anaya hazovagoni
ari ega isu vamwe tava kusvika
kwaMai Lenon"said dad.

Handina kumboita nharo ndakatofara


nekuti uko ndaitya.Mai Lenon
ndaivatya nemadzipiro avanga vandiita
paya.

"Idriss aisafana kuenda uko"said


Gamu
"Haaa atogana atoenda ari kufana
kunotaura zvakaitika nemuromo
wake.Ndiri kungonamata kuti zvinhu
zvifambe zvakanaka"

"Haa zvichatora time kuti mai Lenon


vazvigamuchire hasha dzavanadzo
dziya vachauraya munhu chete"

"Ndanga ndafa ini shaaa apa dad


naMorgan kuramba vakatarisa kana
action zvayo"
"Iwe waida vaite sei ivo vari vatadzi
vaizama kuzvininipisa"said Gamu

"Kuzvininipisa kwei ini ndakadzipiwa"

Takagara kwenguva yakareba vana


mudhara vasati vadzoka.Ndanga
ndatova worried ndakafunga
kumbotevera asi ndakasiyana
nazvo.Ndakapinda muroom mangu
ndikarara paside pamai vangu.

"Mhamha I miss you, Get well soon"


"Kana neni ndavasuwa ndivo vega
vanondifarira Mai Roy havandide"
Anaya said

"Don't worry makoti inini


ndokuda.Mhamha vanopora isusu
ngativanamatire"

"But Sarue akambodyisei


Idriss.Munoziva pese ingori Sarue
what what.Idriss akandiudza kuti
ndikazvara anobva andidzinga pano
osara achiroora Sarue ndiri
kurwadziwa.Idriss ndiye mukomana
wandakatanga kuziva now
ndakuregretter dai ndakaterera
mashoko evabereki vangu ndisina
kusangana neizvi"

"Everythings happens for a reason


Anaya.I hope wadzidza chidzidzo
ipapa.Idriss ane chakamugara
tichingopedza nyaya idzi togadzirisa
dzako usatya tete Pacify ndiripo ndini
ndiri kuda kukapa zita kamwana kedu"
i said ndichinyemwerera.

Takazobuda panze Dad naMai Roy


vaipopotedzana.Asi pandakabuda
vese vakabva vanyarara zvavo.Asi
shoko randakanzwa rekuti mwana
waAnaya ndiye achanoripwa harina
kundifadza aya mashoko aMai
Roy.Ndaisafunga kuti vane pfungwa
dzakaneta neta.

"Hapana zvamunonyarara zvamanga


muchitaura hazviite.Ko vabereki
vaAnaya vanozoti chii vakanzwa nyaya
iyoyo" ndakadaro asi apana
akapindura.

"Iwewe unombozviona saani pamba


pano.Mazuvano wakukura musoro
unoti ukaita tumazamu wava kuda
kunditonga pano"said Baba vangu.

"Hakusi kutonga but nditori agnaist


idea yenyu yamanga muchitaura
naMai Roy.As long ndiri mupenyu
mwana waAnaya haasi kuzoripiswa
.Tsvagai imwe solution kana musina
ndokupai"

Ndakabva ndapihwa mbama namai


Roy.Anaya akabva auya pandiri
akabva ati ava kuenda kumba kwavo
kunotaura nezvenyaya iyi.....
_drop your comments_

*Watch out for chapter 15*

*PACIFY*

https://chat.whatsapp.com/IH4pcIBRX
Mn6Y8z3Tpwphn
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 16*
*Morgan*

Patakaenda kumba kwaMai Lenon


hatina kunzwanana.Panyaya yekuripa
ndipo paiva nedambudziko
hombe.Mudhara airwadziwa nemombe
dzake obvious aisara asina chinhu.But
Mai Roy vakaramba idea iyoyo vakati
tizoripa nemwana waIdriss achazvarwa
naAnaya zvinova zvakanzwika
naPacify pakaita nyaya.
"Ndava kuenda kunoudza vabereki
vangu nezvanyaya iyi.Handizvarire
ngozi ini" Anaya said.

Ndakatoona kuti apa nyaya inoshatira


isu.Taingoitisana nharo nenyaya
dzisina basa.

"Anaya I'm sorry nezvawanzwa apa


vanhu vari kutaura mafungiro hapana
ati ndizvo zviri kuitwa.Isu tamirira
kunzwa kuti family yaLenon inoda
kuripwa nei or Lenon achabuda ari
pamunhu wekufamily kwake otaura
zvanoda kuripwa nazvo" i said.
"Susan ndakuda kuenda kumba
kwangu" said mom

"No sis toenda manje manje don't


worry"

"Kana zviri zvekuripwa ngatiripe naiye


Idriss wacho anoita mwana waMai
Lenon zvopera" said Gamu

"Imbori nyaya yei yamuri


kutaura.Nyaya dzinotaurwa pano
handitombonzwisise kuti dzoenda
nepi" said mom

Kuona mai vangu vari pastate iyi


zvaindirwadza.Ndine nguva
dzandaizama kutaura navo ndichiti
vachandizivawo but hapana
zvavaitoziva.Ndakapinda mumota
ndikaona isisina fuel.Ndakadzika
kumashops kunoona vakomana
vanoita zvefuel ndipo pandakasangana
naSaru muroad ndikamukwidza
mumota mangu.Nyaya yakazotanga
patakadzoka mudhara vachipopota kuti
ndatengera Saru grocery.
Ndakashaya kuti ndonyarira
kupi.Ndakatokumbira Saru wacho
ruregerero pandakamuperekedza.

"Ndoda kuudza tete vangu


zvazonyanya VaDzoto ndivo vamwe
vanondishungurudza ndaneta" said
Sarue.

"No usaita kudaro ndinonotaura navo


baba vangu" i said tava kutosvika
pamba pavo ndakabva ndamupa
chisaga chake
"Okay ndangonzwisisa coz i respect
you so much"

"Thanks"

Ndakudzoka mai vacho vakandiona


vakandimisa.Maitiro azvakaita manje
zvaiita as if ndaitsoma mwana
wavo.Kutaura chokwadi ndakanyara
ndakaenda kunovakwazisa vese
natete vacho.
"Asi pamba pedu panotyisa kusvika
zvawava kudzokera"

"Aaah no kungoti pane zvandanga


ndichimhanyira.Mhamha ndichauya
don't worry"

"Hooo ndaida kubvunza mhamha vava


sei"

"Haaa change ndopasina manje"

"Ko kudya vari kudya here"


"Ehe vari kudya but vanomboita kunga
vanopenga havanzwisisike"

"Okay ndichasvika mangwana


ndichivaona"

Ndakadzoka kumba dad vakatanga


kupopota.Handina kuvapindura
ndakaramba ndakanyarara.

"Morgan pana Sarue pawava


kutambira apo hatiwirirane tambira
kure.She is mine alone.Ndiye munhu
wandiri kuzoda kuroora ndati ndigare
ndakuudza" said Idriss

"Ukwane wanzwa inini Sarudzai


handichatodi kumuona pano.Ndiye
honzeri pakufa kwaLenon futi, dai
asipo musina kurwa.Mkoma Morgan
mukadanana naSaru panoita hondo
naIdriss uyu better kusiyana naye
Sarue wacho.Tererai dad vari right",
said Gamu

"Ndiwe wega unonzwisisa


Saru.Udzawo mukoma vako ava.Idriss
gara wanyarara handidi kunzwa
zvaunotaura hazvina kana meaning"

"Ati ndiri kudanana naSaru


ndiani.Ndangosanganawo naye
muroad umu.Don't blame Saru
pakurwa kwaIdriss naLenon manzwa"

Ndakabva ndapinda mumota mangu


ndikaisa maeaphones ndikatanga
kunzwa music.Ndakatarisa kunze
ndikaona Mai Roy vachitaura
namhamha vachiita kunga vari
kupopota.Ndakadzika ndikaenda
kunonzwa zvaitaura vaviri ava.

"Sekai une vana vatatu Morgan, Idriss


naPacify"

"Ndakavaonepi vana vacho nhai Susan


ini ndisina murume"

"Sekai please try kuf...."

"Mai Roy stop musaisa pressure pana


mhamha.Nguva yakwana
vacharangarira zvese mukadai manje
vanogona kuzokuvara njere
zvakanyanya"

"Okay mwanangu kungoti ndiri


kurwadziwa"

"Kana ini mhamha isu ngatishinge


kunamata vanopora" i said.

Kuchiedza takaenda kumba kwaMai


Lenon.Pamba pakasara Gamu
naPacify vakatarisa
mhamha.Takasvika hama dzese
dzaBaba Lenon dziripo apa
ngadziwande.Hameno umwe munhu
akaunzwa kuti in'anga here or
haasi.Akatanga kukusha mvura
achitaura chimutauro
chisinganzwisisike.Pasina nguva
munin'ina wababa Lenon akasimuka
kutaura achiita kunga pane
chakamugara.Akataura kuti ari kuda
kuripwa nemombe nemwanasikana.

Takaramba takanyarara pakanzi


mwanasikana
ndakavhunduka.Ndakatyira Pacify kuti
aigona kuripiswa apa.Izvi zvaisazoitika
ndichiri kurarama.

"Mombe tinounza mwanasikana


tichaona mwana achazvarwa
naAnaya" said baba vangu.

"Pacify ndiye watiri kuda pano.Zvinhu


zvacho ngazvitoitwa fast but Dzoto
handifunge ndichakuregerera" said Ba
Lenon

"Hapana kunzi Pacify panzi


mwanasikana.Mwana waIdriss ari
kuzvarwa ndiye watichauya naye
kwete Pacify" i said mai Roy vakabva
vanditsigirawo.

"Eeeeeeh kana musingakwanise


chiendai munomutsa mwana
wangu.Pacify iyeye ndiri kumuda nhasi
chaiye pano"said Mai Lenon
vakandinongedza nechigunwe.

"Okay anouya but tokumbirawo nguva


yekunomuudza asi anouya mazuva
anotevera.Mombe dzinouya nhasi
dzese" dad said vaine kakugumbuka.
"Ndati ndiri kumuda nhasi.Kuudza
munhu kunonetsa here.Anofana kurara
ava pano basa rakatomumirira" said
Mai Lenon

Takabva taenda kutaura chokwadi


ndakabudisa musodzi.Hupenyu
hwenzvadzi yangu hwatoparara ka
watova mukadzi wengozi.Ndakabata
Idriss colla ndikamupa
head.Ndakabatwa naMai Roy.

"Pacify my only sister here nhai.Mwana


asina chanoziva ava kuripiswa
pamhosva dzaasina kupara.Izvozvo
azviite never"
"Kana ini ndiri kurwadziwa
zvakanyanya.Pacify ndiye mwana
anonyanya kudiwa namai vako
handifunge pavanopora
vachazvitambira" Mai Roy said.

Mudhara anga akanyarara akasvika


kuzvivharira mubedroom make.Mombe
dzakarova pasi dzese mudanga
mukasara musina chinhu.Mai Roy
pavakangoona Pacify vakatanga
kuchema.Ini ndakazvidzora but
ndairwadziwa.Ndakambofunga kutiza
naye but ndakatoona kuti apana
zvazvinenge zvabatsira ndinosiya
vamwe vachipinda busy.Hapana
akamuudzawo ko taimuudza tichiti
kudiii.Munhu aizomuudza ndivo
mudhara hanty ndivo vazvibvuma.

"Ko mainini Mai Roy muri kuchemei


ukuwo mkoma vakatsamwa, baba
vazvivharira muroom chiiko"
akabvunza Pacify.

"Pacify hauna kuona mombe dzaenda


here.I think ndidzo dzavarwadza
ipfuma ka iyo" akadaro Gamu
"No mhani hadzisi mombe dziri
kuchemerwa apa pane something
chavasiri kuda kutiudza"

"Ndofunga pane 1 wedu aripiswa uko"


said Gamu achiseka.

Sekutaura kwaMai Lenon, Pacify


aifana kutoenda zuva iri.Izvi zvakaita
kuti ndivenge Idriss
zvakanyanya.Ndakaenda kubhawa
ndikatenga mabeer angu ndikatanga
kunwa.Ko mhamha tinozovaudza tichiti
chii havambozvitambire.Apa Mai
Lenon vatiomesera Pacify ndiye ega
mwanasikana wevabereki vangu
kuparadzana nenzira yakadai
kunorwadza.Ndakaenda kumba
ndanga ndisina kunyanya
kudhakwa.Pacify anga asati audzwa
zviri paground.Ava mudhara vanga
vachakazvivharira muroom mavo.

"Mkoma chiii chambonyatsa kuitika"

"Pacify my lil sis I will miss you" i said

"Asi mava kutodzoka kubasa here"


"Pacify" mom said
ndakavhunduka.Takavatarisa ndikaona
vakatitarisa.

"Saka Pacify ndeupi manje mazita


enyu anondivhiringidza"vakabvunza
mhamha.

"Ndini Pacify"

"Hooo huya undiudzewo ka nyaya


pano panotobhowa.Dai asiri Susan
akandimisa ndakaenda kumba
kwangu"

Pacify akabva aenda pana mhamha


akatanga kuvaimbira.Pakatanga
kuimba Pacify mhamha vakabata
musoro vaiita sekunga
vairwadziwa.Gamu akabva aiita kunga
adonhawo padombo pakadonhera
mhamha ivo vakazviona vakascreamer
ndokubva vati ziii vakadaro.

"Gamu magame api amunenge


muchiita.I told you musarangaridza
mhamha zvakaitika pavari iwewe
wakunyepera kudonha ipapo" i said.

"Zvakaoma" Gamue said.

Mhamha vakadirwa mvura kumeso


vakabva vamuka.Asi havana kutaura
chinhu vaingobata musoro
wavo.Ndakavatora ndikaenda navo
kuchipatara.......
_drop your comments_

Kana book risina kuuyawo munyori


ange asina data.Motomirira panowana
data kuti riuye.Thanks vese vari kuisa
macomments

*Watch out for chapter 17*


*PACIFY*

https://chat.whatsapp.com/IH4pcIBRX
Mn6Y8z3Tpwphn
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 17*
*Mai Lenon*

"Mota inofamba naMorgan yaifana


yauya.Havana kupedza kuripa ndiyo
yasara"said Malibo anova munin'ina
waBaba Lenon.

"Zvawakutaura unoona zvichiita here


nhai Malibo"

"Ehe zvinoita munofana kutovaudza or


else ndoenda kunovaudza" he said.

"Zvauri kutaura hazviite utinyarewo"


baba Lenon said.

"Kana vakasaunza mota iyoyo hapana


zvavanenge vaiita.Ndiri kusimudza
mhepo chete mirai muone.Kana
muchitya kuvaudza ndovaudza
havangauraye Lenon.Tainzwanana
nemupfana uya apa tanga takaronga
kunotambira Xmas kuJoza.Inini ndiri
kuda mota iyoyo nekuti Lenon wacho
iropawo rangu" said Malibo.
Nyaya yacho yakazopindirwa natete
Sebi.Hapana chandakataura musoro
wangu waitorwadza.Ndaifunga mwana
wangu Lenon.

"Malibo pataitaura nefamily yavaDzoto


wanga wakanyarara wadii kuzvitaura
ipapo.Zvauri kutaura hazviite mota
haina basa dai uchitaura zvekuti
vatiwedzere nembudzi zviri nani" said
tete Sebi.

"Mbudzi dzekuita sei ini ndiri kuda


mota iyoyo panouya Pacify inofana
kuuyawo"

"Siyai mwana wangu azorore


murugare apana mota inombouya
pano I just want Pacify.Ndiye muroora
wangu apana anofana kudanana naye
or kumuroora.Hupenyu hwake hwese
ndichange ndichigara naye achiita
mabasa anoitwa nemuroora" i said.

"Kana akuda mwana ndiripo inini


munondifonera.But nyaya yemota
nditori serious apana anokwanisa
kundimisa." Malibo said
Nyaya yanga yasara kunoripa
zvatakaita kuna Saru.Ndaizvituka
nekutungamidza hasha
ndisingabvunzewo side rake.Zuva rava
kuvira pamba pakauya Mai Roy
naMorgan.

"Ko Pacify wacho aripi" ndakabvunza.

"Ndiyo nyaya yatanga tauya kutaura


nezvayo" Morgan said
"Hapana zvatinotaura kana Pacify
asipo"

"Mai Lenon zvamataura hapana


zvatinopikisa.Asi tiri kukumbirawo
nemweya waMwari munzwevo zvatiri
kuda kutaura" Morgan said achiita
kunga ari kuda kuchema.Vanhu ava
ndaisavambonzwira tsitsi ndainzwa
hasha pandovaona.

"Okay taurai nyaya yenyu", said tete


Sebi.
"Tiri kukumbirawo week zvaro
naPacify.Kuuya anouya hake" said
Morgan

"Eeeeh hakuna zvakadaro ndati ndiri


kumuda pano nhasi" i said ndamira
manje.

"Mai Lenon gara pasi" said Tete Sebi.

"Okay zvamataura tazvinzwa" said


Tete Sebi.
"Hamuna kupedza kuripa mufi asara
akabuda ati pari kudiwa futi mota"
Malibo said.

"Mota ipi" Morgan akabvunza.

"Zvekuti mota ipi handichazive but ati


ari kuda mota"

"Taripa mombe naPacify ndizvo


zvatabvumirana pano.Zvemota
handizvibvumire hangu" said Morgan.
"Kana usingabvume it's okay uchibuda
udzoke nemombe dzenyu.Asi nhasi
chaiye ndinoda Lenon ari mupenyu
pasina izvozvo tiri kutanga hondo
chete hamungaurayi mwana wamkoma
vangu moripa nezvimombe zvinorwara
kudai iye Pacify wacho akaondawo futi
akuda kuuya kutosimbira pano"

"Don't dare insult my sister wanzwa"


said Morgan achida kusimuka akabva
abatwa naMai Roy.

"Saka apa waida kusimuka kundirova


here"

"bamunini Malibo stop it" i said


nehasha.

Morgan naMai Roy vakabva vabuda


vasina chavataura.Ndaitonzwa kuda
kurara musoro wangu waiita
kurema.Ndakaenda kunorara but hope
dzacho dzakambobata here Tete Sebi
naBamunini Malibo vaipopotedzana.

"Malibo ukwane ndochii chawanga


uchiita.Unoita as if wanga wakamirira
kufa kwa Lenon kuti uwane
kupfuma.Hapana mota inouya pano uri
mwana mudiki iwewe hapana
zvaunotaura.Ndatadza kutaura
zvembudzi nekuda kwako" said Tete
Sebi.

"Nyaya iyo haiperi here.Mai Lenon


vacho vari zii havana zvavari kutaura
even baba vaLenon iwewe Malibo
naSebi busy kutiitira noise" said ba
Taku vaitevedzana naBa Lenon.

"Mwana wacho akauraiwa hanty


ndewedu here.Ini anditadze kutaura
mota yangu inofana kutouya chete"
said Malibo akabva atobuda.

"Hapana mota inouya pano.Kuda


kupfuma nekufa kwemwana wangu asi
ivo bamunini Malibo ndivo vakatuma
Idriss kuti auraye mwana wangu kani
handichatozvinzwisise.Bamunini
Malibo ngavabve pamusha pangu
muvaudze kudaro handidi
zvemuyedzo" i said.

"No makoti iwewe enda unorara.Uyo


Malibo musoro wake hautori mushe
anopenga" said tete Sebi.
"Pano apana mota iri
kuzouya.Ndatopedza ivo Bamunini
Malibo kana vachida zvekutonga
ngavatenge musha wavo.Pano panoti
inini nemurume wangu munhu oda
kupfuma nekufa kwemwana wangu
never"

Baba Lenon vakabva vauya


pandiri.Vairatidza kuti vanzwa zvese
zvanga zvichitaurwa.Vakanditora
vakaenda neni mubedroom.But chiso
chavo vairatidza kuti
vakagumbuka.Ndakafunga kuti pamwe
vanditsamwira kuti ndashoora mwana
wamai wavo Malibo.

"Iwewe uri muroora hauna right


yekutuka vana vamai vangu wanzwa"
said Baba Lenon

"Mwana wamai vako Malibo


handimude pamba pangu ndatopedza
newe"

"Usafa wakataura mashoko awataura


ayo.Wadii kuudza inini ndazomutsiura
ndega Malibo wacho.Hama dzangu
dzichati chii nebehaviour yawaita apo
unoda kuzama kuvaratidza kuti ndiwe
unotonga pano right"

Ndakabva ndaramba
ndakanyarara.Misodzi yakatanga
kuyerera pamatama angu.Baba Lenon
vakabva vabuda vakarovera door
zvehasha.Ndakasara ndichichema
ndaishaya kuti ndatadzei.

*Saru*
"You dirty girl tasangana futi" said
mkomana uya wekahonda fit
katsakara.Apa anonditi dirty girl iye
achipfeka maworksuit akasviba
akazara maoil.

"Iwewe wambozvitarisawo here usati


wabudisa manzwi ekuti dirty girl"

"Hembe idzi kusviba ndichitsvaga mari


ko iwewe kusviba uchirariswa pasi
nematsaga ekumusha kuno" he said.
Ndakanzwa hasha nemashoko ake but
ndakazvidzora.Ndakamusiya
ndikatanga kufamba
zvangu.Ndakasvika pachigayo
ndikagaisa ndakaona mkomana uya
anditevera futi.

"Ko mkomana uyo munomuzivawo


here" ndakabvunza vamwe mai
vandanga ndinavo kuchigayo.

"Haasi wemuno ndinomuona


achigadzira rori repamai Fadzie riya
but haana respect mwana iyeye"

"Shuwa anozvida apa chimota


chanofamba nacho chatsakara dai
chaishamisira better"

Ndakabuda muchigayo ndikaenda


kumba.Mukomana uya haana kutevera
futi.Akangondinetsa futi ndaida
kuzoudza mkoma Morgan
vakakwanisa kumutyisidzira
haazondinetsi futi.

"Sekutaura kwakaita mufundisi


ndinofana kuenda newe kunokuratidza
baba vako.Zviri nani uzovaramba hako
asi wava kuvaziva"said tete.

"Tete izvo azviite"

"Wakura iwe Saru.Uchada kuroorwa


manje unoroorwa sei ivo baba vasipo"

"Saka munoda baba vabatike


pamarooro angu kuti chii
chavakandiitira mulife mangu.Hapana
cent rinoenda kwavari.Imi namhamha
ndimi mofana kubenefiter kwete tsvina
iyo"

"Mind your language Sarue he is still


your father apana chochinja.Even ini
handiwirirane navo but mofana
kuzivana" said tete.

"Tete muri kunzwa mwana ari kuti


haadi musiyei akadaro.Kana nguva
yake yekuroorwa tozongotangirawo
ipapo" said mhamha.

Ndakabuda ndichisiya vaviri ava


vachitaurirana.Ndakaenda kunogara
zvangu kurwizi ndikasangana naPacify
aiita kunga ane zviri kumunetsa.

"Ko chiii chiri kuitika Pacify"

"Nditori bhoo"

"Unonyepa"

"Ndogonyeperei kungoti ndiri


kurwadziwa nestate ina mai vangu"
she said ndakatoona kuti andinyepera
andina kuda kuzomunetsa.
Takatanga kufamba ndaimuudza
nyaya but ndakatoona ndaitaura ndega
iye pfungwa dzaiva kure.Takasangana
nemota yaMorgan ikabva yamira.

"Pacify ndanga ndichikutsvaga" he


said.

"Mkoma musataure neni kana musina


kundiudza zvamakaudzwa kwaMai
Lenon"
"Pacify handei kumba tinoita meeting
nevamwe uchaudzwa ipapo" he said.

"Handisi kuda kunzwa zvese.Why ndiri


kufeeler kuti something bad chikuda
kuitika kwandiri"

"Saru please taura naPacify anzwisise


ari kudiwa kumba now"

"Mkoma Morgan wait.Pacify uyu


munhu anogara achifara she is your
only sister hamufani
kumurwadzisa.Handisati
ndambomuona akasuwa kudai
musadaro mwana"

"Havandifarire ava everyone kumba


uko akuziva zvavakaudzwa kwaMai
Lenon.Vakaudza Gamu asi ini havasi
kuda kundiudzawo ndakavaita sei ini
kana makaronga kundiripisa mhosva
yenyu kanganwai" she said achiita
kunga ari kuda kuchema.

Morgan akangokwenya musoro asina


chataura akanditarisa kunga ndaiva
mutsva kwaari.Pakabva pasvika
kahonda fit kekutsakara kaya.

"Hey bvisai mota yenyu muroad"


mkomana uya akaidaidzira ari mumota
make.

Morgan akabvisa mota yake.Mkomana


uya akamhanyisa mota yake tikasara
takafushirwa nehuruva.

"Mukati munhu uyu akakwana" i said.

"Mkomana uyu haasiye akahayiwa


kugadzira rori ramai Fadzie here"
akabvunza Morgan

"I think ndiye"

Pataitaura naMorgan takazoona Pacify


pasisina.Anga atova kufamba
achitevedza road.

"Saru enda unotaura naPacify please


uite zvekuti auye kumba.Ini
akanditsamwira"
"But m....."

"Ndiri kukumbira Saru" he said


akanditarisa.

Ndakamhanyira Pacify
ndikamumisa.Ndakazama kutaura
naye airamba
kutondinzwisisa.Ndakasiyanawo naye
ndikabva ndanyarara.

"Saka watonditsamwira here Saru"


Pacify said
"Ehe"

"Sorry kani besty"

"Pacify kana ndiri besty wako tererawo


zvandotaura.Inga iwe ndokutererawo
wani"

"Okay ndanzwa"

Takabva tatoenda kumba


ndakamusiya kumba kwavo.Baba
Morgan vachindiona vanotanga
kundituka.

"Why Saru uchiwanikwa kana pano


paitika something bad.Ipapa taishaya
Pacify asi wanga wamuhwandisa
kumba kwenyu"

"Enough is enough.Saru atadzei dai


asiriye mungadai musiri kundiona
pano"
Ndakabva ndatorova u-turn kuenda
kumba.Morgan akandimisa achida
kunditambidza mari yekutenda
nekutaura naPacify.

"No mkoma handisi kuda mari yenyu" i


said ndikabva ndatoenda handina kuda
kumirira mhinduro.

Ndakasvika tete vari pacall vaiita


kunga vari kupihwa
madirections.Pavakapedza kutaura
pacall pavo vakauya pandiri.
"Mangwana ndiri kuenda newe kumba
kwababa vako.Handisi kuda
zvekupikisana newe" she said vakabva
vatopinda mukitchen

*Drop your comments*

Watch out for chapter 18


*PACIFY*
https://chat.whatsapp.com/IH4pcIBRX
Mn6Y8z3Tpwphn
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
*Chapter 18*

*Pacify*

Patakasvika kuchipatara mhamha


vakaiswa mune imwe room.Papera
kachinguva doc akauya achitaura kuti
mhamha vari right njere dzavo dzava
kuita dzichidzoka bit by bit.Ndakapinda
muroom maiva namhamha ndikaona
vakarara.Nurse vakandiudza kuti vaiva
vavabaya injection rekuti varare
taizokwanisa kuvaona pavisit
yemanheru.Ndaisada kutomboenda
kumba ndairwadziwa kuti why vanhu
vese vepamba vasiri kuda kundiudza
zvavakataurirana kwamai
Lenon.Chainyanya kundirwadza
ndechekuti ndini ndega ndaisaziva.

"Pacify handei mumota tiende kumba


tine meeting yatiri kufana kuita as a
family"

"Kana mhamha vasipo hakuna


kwandinoenda.Hamundifarire mese
siyanai neni ndikuda kugara pedyo
namai vangu" i said.

"Pacify ndosaka ndiri kuti handei


kumba unonzwa nyaya yacho"

"Handichatodi kuinzwa nyaya


yacho.Endai munoita meeting yenyu"

"Pacify"

Ndakaramba ndakanyarara ndikabva


ndaenda kunogara pazvimabench
zvaiva pasi peumwe muti.Panga pane
umwe musikana anga aine nhumbu
akabva auya kugara pedyo neni.

"Hey cute girl" she said


achindimhoresa.

"Who is cute girl"

"Iwewe ka uri cute ndangonzwa


kukufarira pandakuona.But I can see
uri kuita seune zviri kukunetsa" she
said.Ndakaramba ndakamutarisa
ndakaona aiva wezera rechidiki.
"Handina stress nditori bhoo
so.Zvekunzi Cute handizvide hangu" i
said ndichisimuka kuenda kunogara
pane rimwe bench.

Ndaisada zvekunetswa
nemunhu.Musikana uya haana
zvakaita ndakaona atsikitsira pasi
ndakatozoona ari
kuchema.Ndakashaya aichemei ko
ndamutuka here .Ndakuda kusimuka
kuenda paari Morgan akabva asvika
pandiri.
"Pacify please ndokumbirawo tiende
kumba.Vamwe vakatimirira now"

"Mutori worried nezvemeeting iyoyo


nhai musingaite worried nehutano
hwamhamha.Ndinokoshesa mai vangu
kwete zvekameeting kamuri
kutaura.Kumeeting ndagara
handitodiwiko nekuti zvandotaura
apana anozviterera ndinonzi andina
kukwana.Ndakuzviona mhamha vangu
chete ndivo vanondida" i said ndikabva
ndaenda kunogara pane musikana uya
ane mimba.
"Cute wadzoka" she said achipukuta
misodzi yake.

"sorry nezvandaita handina kuziva


ku...."

"No cute hapana chawatadza


ndaingoda munhu wekutaura naye
hangu.Pandakuona ndangokufarira"
she said.Ndakatarisa kuti Morgan anga
achiripo here ndikaona pasisina.

"Saka munonzi ani" ndakabvunza


"Pipi"

"Pipi is your name.I mean full name"

"Precious but vanhu vanonditi Pipi ko


iwe"

"I'm Pacify"

Takatanga kutaura tese nyaya


ndakaona aitova munhu ari
free.Kwakasvika pakutosviba tichitaura
nyaya.Ndakaenda muward kunoona
mai vangu.Ndakasvika vakagara
pabed pavakandiona vakaramba
vakanditarisa.Vanotanga kubata
musoro wavo uchiratidza kuti uri
kuvarwadza.

"Mai vako vari kurecover chienda


kumba unozouya uchivaona
mangwana" said nurse.

"I love you Mom.Get well soon I need


you" i said & left.
Ndakaona Pipi achakangogara
pamabench paya.Apa kwanga
kwakutonhora sei ndakatoshaya
aigarirei panze.

"Asi une wawakamirira here"


ndakabvunza.

"Yes"

"Aaah tarisa kwasviba


wambomufonera here munhu wacho"
"Ndauya neboyfriend yangu
pano.Ndinobva kuHarare saka iye
akauya kuno ameno kwakahayiwa
kugadzira mota.Patasangana
ndatanga kunzwa pain ndipo patauya
pahospital pano.Iye ameno afonerwa
nani akati ndimumirire ari kudzoka
ndisabve.I'm worried now Pacify ndoita
sei handina kana mari yekudzokesa"
she said achinzwisa tsitsi.

"Okay kwaakahayiwa kwacho


unokuziva here"
"Handikuzive pandauya tasangana
mutown pachicken Inn"

Ndakabvisa kajuzi kandanga ndinako


ndikamupa.Moyo wangu wakaramba
kuti ndiende ndichimusiya
ega.Ndakagara pedyo naye iye
airamba achizama foni yemkomana
wake.Handina hangu kubvunza zita
rake.10 dzemanheru dzakasvika
munhu asati angouya.Guard
wepachipatara akauya achiti tibude.
"Guard don't chase me away.My
boyfriend andisiya ndakamira pano
nanhasi haasati adzoka.Please
ndokumbirawo kurara muroom iri" Pipi
said achinzwisa tsitsi.Aikumbira kurara
mukaguard room.

"No unogona utori mbavha or uri


kushandidzana nembama moda
kuzoba mushonga yepano or else
mune murwere wamuri kuda
kuuraya.Get away"

Takabuda panze Pipi akatanga


kuchema.Kuti ndiende naye kumba
nebehavior yababa vangu iya vaigona
kutoramba vomutuka futi.

"Pacify chienda kumba.I think unenge


uri kutsvagwa ini ndichaona
yekutamba.May God bless you
pazvese zvauchaita une moyo
wakanaka" Pipi said.

"No Pipi tiri kuenda tese kumba kwedu


ndiko kwauchanorara.Ndotaura
nevanhu vekumba kwedu
vanonzwisisa don't worry" i said iye
akaramba.
Ndakamunyengerera kusvika
abvuma.Takaenda kumba ndakasvika
pamba pangori naAnaya chete vamwe
vese handina kuziva kuti
varipi.Ndakambofunga varara
ndikaona muroom mangu Gamu naMai
Roy havamo.Even Morgan naIdriss
vanga vasipo.

"Tete Pacify ndiani munhu uyu"

"She is my friend ko vamwe varipi"


"Aaah muri kutsvagwa.Vanhu vepano
vabuda vachitsvaga imimi.Regai
ndifone kuti madzoka" Anaya said
achibaya foni yake.Akafonera Mai Roy
team rakabva ratodzoka.

"Pacify tanga wava worried kuti uri


kupi.Guard wepachipatara atirambidza
kupinda tazama kutaura naye ndipo
pafona Anaya uyu" said Mai Roy.

"Ko musikana akazvitakura ndiani uye


ari kudei pano" vakabvunza baba
vangu.Ndakarondedzera dzambudziko
ranga rasangana naPipi.

"Oooh shem zvinowanikwa adya


here.Let me prepare something chekuti
adye" said Mai Roy.Ndakabva
ndafunga mhamha vangu coz vanga
vane care yakafanana neiri kuitwa
naMai Roy.Akagadzirirwa chikafu
akabva adya.Ndakawaridza mudinning
tikabva tarara tese na Pipi.Padoor
pakabva paita knock ndakavhura
Morgan haana kupinda akaramba
akamira padoor.
"Musikana uyu ati mukomana wake
akahayiwa kupi" akabvunza Morgan

"Hanzi ndimachanic hameno


kwakahayiwa kugadzira mota Pipi
haasi kutozivawo"

"Haasiye ari kugadzira rori ramai


Fadzie here iwe"

"Aaah bro totaura nyaya yacho


kwakachena" i said.
Ndakapinda mumba Pipi anga
atorara.Ndakanamata ndichibva
ndarara ndakamuka makuseni
ndichinzwa noise panze vari baba
naMorgan vaipopotedzana.

"Pacify akangoenda kwaMai Lenon


chete tagura ukama.Hazviite Pacify
aende ngatimirire mwana achazvarwa
naAnaya.Pakanzi panodiwa
mwanasikana ,kuendesa Pacify uko
hazviite never.Vane udyire vanhu ivava
ipapa vaiti vanoda mota yangu.Pacify
mukamuendesa uko anonoitwa
mukadzi naMalibo .She is still young
ndoda aende kuchikoro adzidze
azadzise madreams ake" said Morgan.

"Pacify is my daughter kuti ave panyika


pano ndini.Handitodiwo kuti aende uko
kwaMai Lenon but hatina option
mwanangu wakanzwa Mai Lenon
vakati vanoda Pacify"

"Mai Lenon ndiye mufi here.Isu tinoita


zvakataura mufi pakanzi mwanasikana
ngatimirire waAnaya uyu"

"Tinopera pano Morgan ngatingoita


zviripo mwanangu"

Pandakanzwa izvi ndakatanga


kuchema ndakamira
padoor.Ndakatanga kunzwa dzungu
ndakagara pasi.

Gamu ndiye akauya pandiri


akandisimudza.Ndakatanga kuchema
why ndaripiswa ngozi yandisina
kupara.Inga ndinonamatawo
nekufaster zvinoita vamwe saka why
Mwari vasina kundirwirawo.
"I'm sorry mupfana wangu" said Gamu.

Pipi akabva amuka pakandiona


ndichichema akauya pandiri.

"Cute waitwa sei.Don't cry please" she


said akanditarisa.

"I wish dai ndisina kuberekerwa


mufamily ino.Hapana anondida kunze
kwamai vangu.Dai varipo ndisiri
kuchema kudai.Mhamha vangu havadi
kuona misodzi yangu.Vandiita mukadzi
wengozi vanhu ava Pipi ndiite sei"

Pipi akabva aramba


akanyarara.Ndakaona anga ava
kutochemawo.Baba vangu vakauya
pedyo neni.Vakataura nyaya yavo kuti
ndirongedze mabag
nditoenda.Vaisamboratidza
kurwadziwa Morgan hameno anga
aendepi pakapedza kupopotedzana
nababa.Ndakaramba ndichichema
ndaisamboda munhu wekufamily
kwangu pedyo neni.Pipi ndiye munhu
akakwanisa kundisimbisawo but
zvaisatambirika.Dai asiriye akataura
neni ndingadai ndakatozviuraya.Gamu
akamanikidzwa kurongedza hembe
dzangu nababa vangu.

"I hate you mese vari pano.Hamusisiri


hama dzangu kutanga nhasi tagura
ukama.Hama yandasarwa nayo ndimai
vangu chete.Idriss thanks
nezvawakaita asi chandoziva Mwari
wandinonamata achandirwira uchaona
mubairo wako ndinopika nasekuru
vangu vaDzoto vari pachuru iwewe
ndiwe munhu asiri kuzoona rugare
muhupenyu hwako.I curse you" i said
ndakamunongedza.
"Wagara wakandivenga kubva kare
Pacify.Kutaura chokwadi ndaisatoda
uende uko but hapana zvatingaita
mwana wamai.I'm really sorry"

Ndakaendeswa kumba kwaMai Lenon


vakandisiya ndichichema.Ivo vekwana
Lenon havana kumbotaura neni
vaingonditarisa.Pipi akabva asvika.

"Ndatengesa foni yangu.Tora mari


uzobatsirika now ndakudzokera kumba
but ndichapota ndichiuya
ndichikuona"She said akabva
andigashidza mari iya.

Haana kugarisa akabva atoenda.Tete


vaLenon ndivo vakandiratidza room
rekurara.Hameno ndakabatwa nehope
nguva ndakazopepuka kuona
ndichibatwa batwa muviri
wangu.Ndakapusha munhu wacho
akabva adonha ndakabatidza kulight
ndikaona ari......

*Drop your comments*


Thanks kune vese vari kupa
macomments.Nevari kusapota munyori
nedata.

*Watch out for chapter 19*


*PACIFY*

https://chat.whatsapp.com/IH4pcIBRX
Mn6Y8z3Tpwphn
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+2722725562

*Chapter 19*
*Pacify*

Pandakabatidza light ndakaona Malibo


achisimuka pasi paanga
adonha.Ndakascreamer zvekuti vanhu
vauye asi hapana akauya.

"Pacify dai uri umwe


watodzikama.Chero ukaramba kurara
neni ndichazongorara newe chete" he
said achiuya pandanga ndiri.
Pandanga ndakumhanya kubuda
akabva andibata akandipushira
pabed.Ndakazama kurwisana naye but
murume murume agara ane
simba.Hameno Mai Lenon vakasvika
nguva vakasvika kutema Malibo necup
yesimbi.

"Bamunini nhasi mazofarisa hamunyari


kuda kurepa mwana.Ibvai
matorongedza mabag enyu mubve
pamba pangu now" said Mai Lenon.

Ndakasimuka ndikaenda kunohwanda


kumashure kwavo.Tete Sebi vakabva
vauyawo asi baba Lenon handina
kumbovaona.Malibo anga ava kubuda
ropa paanga atemwa.

"Iwe hure kubva zvawakaroorwa


namkoma wangu handina kubvira
ndakufarira.Pano ndiwe ungatobva,
wakaroorwa namkoma wangu usina
chaunacho wanzwa nhasi uno wava
kuda kunyepera kushamisira.Kana
uchitonga mkoma vangu usafunga
unotonga neni" said Malibo achibva
abuda.
"Iwe Malibo undinyarewo wanzwa
here.Mkoma vakanzwa kuti watuka
mukadzi wavo unouraiwa iwe ndiri
kukuudza" said tete Sebi.

"Bamunini vane shuwa vanganditi


hure" Mai Lenon said vakabva vabuda
vakatsamwa.

Vakaenda kubedroom kwavo ndanga


ndakutya kurara ndega apa door racho
ranga risina makeys.Ndakanzwa noise
munext room pairatidza kuti pane
vanhu vari kupopotedzana.Ndakabuda
ndikaona hezvo Mai Lenon vaitukwa
nemurume wavo.Ndakavanzwira tsitsi
hangu.

"Saka wafara ndanzi hure.Ndotukwa


uripo wapedza woramba uchisapota
Malibo"

"Wakuvadza Malibo hauna kuona ari


kubuda ropa here.Wagara hauna
respect Mai Lenon unokoshesa Pacify
anoshamisirei.Pano anofana kushanda
zvakasimba vakauraya mwana wangu
vanhu ivavo dai wasiya Malibo achiita
yaanoita naPacify I don't care"
Baba Lenon vakabva vapinda
mubedroom mavo vakakiya door.Mai
Lenon vakazama kuknocker asi
murume wavo haana kuvhura
door.Vakauya muroom mandanga
ndiri.Ndanga ndakutotya mai ava
ndaivatya hangu.Ndakaenda kunomira
pacorner.Havana kumbotaura neni
vakagara pabed vakangonditarisa.

"Pacify huya urare" she said.

Ndakaramba ndakamira mai ava


kutaura neni zvakanaka asi pane
zvavari kundirongera.Ndakazotanga
kufamba ndikabva ndaramba
ndakamira.Ivo vakabva vapinda
mugumbezi vakarara.Raingova
gumbezi 1 pasina nguva ndinoona
munhu ava kuchema akabata picture
raLenon.Kuti ndivanyaradze ndaitya
vaigona kuzopedzera hasha dzavo
pandiri.Handina kuona kuti vakarara
nguva ini ndakarara pasi ndakafuga
juzi rangu.Pandakamuka
ndakashamisika kuona ndiri
mumagumbezi Mai Lenon vanga
vasisimo.Ndakatarisa kunze ndikaona
hezvo zuva ratobuda.Mai Lenon
vakabva vapinda.
"Next time usazorara pasi Pacify.Bed
ndeyako zvese neroom rino kana
uchida something just tell me" vakabva
vabuda ameno kwakaendwa.

Maitiro amai Lenon


akandishamisa.Kuita care neni aah
pane zvavari kundirongera
chete.Ndakabuda ndikaenda kunogara
kuseri kwemba.Malibo akabva asvika
aina baba Lenon.

"Wakauya pano kuzodya nekugara


here iwe.Simuka ipapo uende
kunodiridza kugarden uchipedza
udzoke pano ndikutume" said Baba
Lenon.

Handina kutaura chinhu ndakasimuka


ndikatora bucket.Ndakafamba kuenda
kugarden kwacho
ndichichema.Ndainzwa kuvenga family
yangu nekuti vakandimanikidza
ndisingade.Ndakasvika ndikadiridza
mugarden muya apa ngarikure
sei.Pasina nguva Malibo akabva
asvika akandibata garo rangu.
"Usandijairira iwe satan.Handisi
mukadzi wako waunoita zvaunoda
naye"

"Asi uchiri mhandara kani hasha


dzacho so.Anyway ndauya kukuudza
kuti apo panoda kutimbwa" said Malibo
achinongedza paiva nemazisango.

Akabva atobuda kuenda


ndakatozviudza kuti handipatimbe
ndoita zvandaudzwa naBaba Lenon
namai Lenon chete.Ndakazopedza
kudiridza masikati ndanga ndava
nenzara ndanga ndisina kumbodya
chinhu kubva kuseni.Ndakasvika
pamba pangori naTete Sebi naMalibo
chete.

Kuti ndingopinda mukitchen zvaisaita


ndakanogarawo pavanga vari
ndichatarisira kuti vachati enda unotora
chikafu chako.But hapana akataura
chinhu vaitotaura nyaya
dzavo.Ndakazoona kwava kutosviba.

"Pacify geza mandiro ndoda kubika


chikafu chemanheru"tete Sebina said.

Ndakapinda mukitchen ndikaona


hamuna kana chikafu.Vairatidza kuti
vabika chikafu chavo vakatadza
kundisirawo.Vakuda kundigezesa
mandiro echikafu chandisina kudya.Izvi
ndizvo zvandakaramba ndakabuda
ndikaenda kunogara mudinning.Malibo
naTete Sebi vakanditevera.

"Hauna kunzwa zvataurwa here iwe"


said Malibo.

"Hapana mandiro andiri


kuzogeza.Mondishandisa mondinyima
futi chikafu chacho.Simba rekushanda
ndoriwanepi ndine nzara"
"Eeh young girl handisini ndakati
muuraye mwana wedu.Pano hauna
kuuya kugara simuka izvozvi uende
kunogeza mandiro" said Malibo.

"Wati hauna kudya here iwe sei


uchinyepa ndabika neshare yako
chikafu chako ndikachiisa patable
apo"said Tete Sebi.

"Kanorwara kamwana aka kanoti


kuonda.Tibvire apo unosuka mandiro"
said Malibo.
Ndakaramba ndakagara ndakazoona
ndabatwa zvine simba ndikaendwa
neni panze.Ndipo pakasvika Mai
Lenon vaine paper bag reblack
rakazara ameno chii chaivamo.

"Ko inoise yei yandiri kunzwa


pano.Bamunini Malibo muchiri kudei
pano"

"Kamwana aka kanoda


kurohwa.Ndabika chikafu masikati
ndikamusiira akadya izvozvi ava kuti
haana kudya saka haasi kuda kugeza
mandiro zvinoitawo here
muroora.Haana hunhu ndakamuona
hangu" said tete Sebi.

Mai Lenon vakanditarisa vakabva


vaisa paper bag pasi vakauya
pandiri.Ndakatanga kubvunda nekutya
obvious vaida kundirova
chete.Ndakavhara maziso ndikaona
vabata matama angu vakanditarisa.

"Pacify tell me waichemei ndiani


akuchemedza" ndizvo zvavakabvunza
ndakatadza kuziva kuti vaudzwa nani
kuti ndambochema.

"Muroora udza munhu wako ageze


mandiro nekubika zvese handingaite
basa iye aripo.Iwewe unoswera
uchifambawo zvisina order" said tete
Sebi vachipinda mumba.Malibo ameno
kwakabva aendawo.

Mai Lenon vakandigarisa pasi


vakavhura paper bag ravanga
vanaro.Vakabudisa pie nedrink
vakandipa.Ndakambozeza kudya
ndichiti pamwe vandiisira poison.Nzara
yandanga ndinayo yakandituma kudya
chero ndafa hazvina basa hanty family
yangu yakandi betrayer here.
Ndakaona Mai Lenon vatora mandiro
aya vakuda kumageza ndakavamisa.

"Siyai ndomageza.Thanks nechikafu


chamandipa Mwari vakurangarirei" i
said ndaguta coz zi pie racho ranga
rakakura.

"Okay" she said vakabva vapinda


mumba.
Ndakageza mandiro ese ndikaudzwa
futi zvekubika.Ndakapedza kubika
chikafu chemanheru.Mai Lenon ndivo
vakauya kuzopakura but havana
kuzviisirawo share yavo.Ndakatoona
kuti vanga vasiri kupindirana
nemurume wavo.Instead yekuti tete
Sebi vagadzirise nyaya idzi asi
vaisamboita care nazvo.

"Pacify watimba here pawaudzwa


naMalibo"vakabvunza Baba Lenon

"Handina"
"Enda unotimba now"

"No" Mai Lenon said

"Iwe nyarara wanzi utaure nani"

"Okay kunyarara ndonyarara hangu asi


hamusi kuona kwasviba anorumwa
nenyoka.Achazotimba kwakachena"
said Mai Lenon

"Mkoma mazvionera mega zvandanga


ndichitaura," said Malibo.

"Munopawo mabasa anoenderana


naye.Zvimwe zvinoda kufungawo
vanhu vemunharaunda vakazoona
tich....."

"Mai Lenon hausava kuzvinyanya


here.Ndaimboti zvimwe Baba Lenon
vari wrong but ndakutoona ndiwe utori
nedambudziko" said tete Sebi.

Ndakasimuka ndikarongedza mandiro


ese.Ndakanzi ngarare agenzwa
ese.Maitirwo azvo zvanga zviri
zvekusvotesa mai Lenon.Handina
kumboita nharo ndakaita zvavanga
vataura asi kutaura chokwadi moyo
wangu wanga wakurwadza.Zvoreva
kuti ndichararama hupenyu hwangu
hwese ndichishungurudzwa kudai
here.Ndakapedza kugeza mandiro
kwatosviba vanhu vanga
varara.Ndakapinda muroom mangu
ndikaona Mai Lenon vakagara
vakabata shaya.Havana kumbotaura
neni ndakagarawo pebed ndikabva
ndarara.Makuseni Mai Lenon
vakafuma vari flat vasiri kana kumboita
any movement.Ndakazama kuvamutsa
zvikaramba kana zvekuvadira mvura
zvakaramba.Ndakabuda kuudza
vamwe ndikaona pasina kana
munhu.Ndakapererwa nezvekuita
panguva iyi ndakapindwa nepfungwa
yekuenda kumba kunoshevedza
Morgan ane mota.Asi ndakazofunga
kuti ndikaenda ikoko vanoda kuzotora
advantage yekundibatsira kuzotaura
neni.Ndakaenda kwaMai Fadzie
ndikavaudza problem yangu ndivo
vakandibatsira kutakura Mai Lenon
kuenda kuchipatara.Tichipinda
ndakabva ndasangana naMai vangu.

"Pacify my only daughter" she said


maziso avo akajenga misodzi

Ndakamhanya ndikavajambira
ndikatanga kuchema
ndakavambundira.....

*Drop your comments*

*Watch out for chapter 20*


*PACIFY*

https://chat.whatsapp.com/LT3YNAOa
k2bKMvg5f40aNu
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+2722725562

*Chapter 21*

*Pacify*

Ndakaudza mhamha kuti ndifane


kuenda ivo vozotevera.Havana kuita
nharo ndakasvika pamba pamai Lenon
paina tete Sebi chete.Ndakapinda
muroom mangu ndikatanga
kurongedza hembe
dzangu.Ndakabuda ndichida kutarisa
kuti mhamha vava kuuya here.

"Ko waswera kupi, Mai Lenon


vaendepi"

"Oooh sorry ndaida kukuudzai kuti


vangomuka vari flat ndavaendesa
kuchipatara ndiko kwandaswera" i said

"Hezvo chii chaitika, ko dai ndisina


kubvunza waitaura here"
"Kuti mune care navo here Mai Lenon
vacho" i said.

Mhamha vakabva vasvika vaina


Gamu.Ndakabuda nebag rangu
panze.Tete Sebi vakabaya baya foni
yavo hameno aifonerwa ndiani.

"Mai Dzoto mwana uyu hamuna


kodzero yekumutora hasisiri mumaoko
enyu" said Tete Sebi.

Baba Lenon naMalibo vakabva


vatosvika vachifambisa.Vakasvika
vakasunga chiso.Malibo akatakura bag
rangu akaridzosa mumba.

"Mai Dzoto handidi zvepamuromo


nemi.Ndimi moita basa rekufurira
mukadzi wangu zvisina basa pano
mavingei ndiudzei" vakadaro baba
Lenon

"Ndauya kutora mwana wangu"

"Mwana uyu hasisiri wenyu wava


wepano.Kan a musiri kuziva endai
munoudzws nemurume
wenyu.Ndokumbirawo mubve pamba
pangu handidi zvehondo nemi" he said
vachiuya kundibata ruoko kupinda neni
mumba.Mhamha vakabva vandibatawo
ruoko vakatanga kundidhonzerana.

"Baba Lenon I know hapana chivanhu


chakaitwa.Zvinoitwa pakuripwa ngozi
ndozviziva inini muri kuda
kungotirwadzisa.Ndinobvuma tine
mhosva asi ndanga ndichikumbira
zvinhu zvitangadziswe zvifambe
negwara chairo kana mukasadaro
munenge matova kuzvikokera moto
muziso" said mhamha.
Malibo akauya pana mhamha vangu
akavapusha vakabva
vadonha.Ndakatanga kuchema
ndakatarisa mhamha vangu vanga vari
pasi.Vakasimuka vakauya pandanga
ndakabatwa.

"Mai imi ndakuona mune dzungu


tinokuripisai futi mukada kuramba
muchiita nharo ibvai pano"said Malibo.

Gamu akanhonga mavhu akabva adira


Malibo kumeso akabva ahwanda
kumashure kwamhamha achitya.

"Mai Dzoto ndiri kuona mutori


nenharo.Saka muri kuti zvese
zvakaripwa isu tisu taizvitaura
here.Chivanhu chakaitwa
ndinotochizivawo chibvai pamba
pangu"

"Ndinobva nemwana wangu pano"

Malibo akabva abata mhamha vangu


colla ipapo ndakanzwa
hasha.Ndakaruma baba Lenon
ndikajambira Malibo achibva
adonha.Gamu akabva auya
kundibatsira kurova Malibo.Baba
Lenon naTete Sebi ndivo vakazobata
fight.

"Torai mwana wacho asi musadzoka


futi pano muchida kuzochema chema
muchida kuti titaurirane mubve matora
mombe dzenyu.Asi nhasi chaiye
mobva mamutsa Lenon ndiri kumuda
pano pasina izvozvo you will regret
zvamaita izvi" said Baba Lenon

"No Baba Lenon handina kuuya kuita


nharo kana kurwa.Ndauya ndine
chikumbiro chekuti titangidze kuita
zvinhu patsva ndiri kuona kunga pane
chivanhu chisina kuitwa" said mhamha.

"Mai imi musataura zvamusina


umbowo nazvo maivapo here.Manzi
torai mwana wenyu makamirirei torai
nemombe muende" said tete Sebi.

"Kuita zvekuramwirana here nhai"

Ndakaona baba Lenon vanga vane


hasha.Vakabatwa nehanzvadzi yavo
vakapinzwa mumba.Hapana
akazobuda panze takasara tega
mhamha vanga vapusa manje.

"Ndaisada kuti zvisvike apa.Ndauya


kutora iwewe kwete mombe"

"Mhamha handidi kusara pano


ngatingoenda tozoita plan"i said.

"Ko hembe dzako dzadzoswa mukati


umo", said Gamu.
Mhamha vakandibata ruoko tikatanga
kufamba kuenda kumba.Takasvika
tikapinda muroom mangu vakatora
bible ravo.

"Pacify hondo yakatarisana nayo


ihombe.Ndinoda tinamate kuti tikunde
mwanangu"

Takatanga kunamata patakapedza


mhamha vakati vaida
kumbozorora.Ndaitofunga hembe
dzangu dzandasiya kwaMai
Lenon.Kwava kusviba mai Roy
vakabika chikafu.Chimwe ndakaisa
mulunch ndikaenda kunoona Mai
Lenon ndakasvika vatomuka.

"Thanks nekuuya kundionawo"

"No musanditenda"

"I hope kumba havasi kukunetsa"

"Ummm" ndakatadza kutaura nekuti


kuvaudza kuti ndadzoka kumba kwedu
ndaitya.
Ndakabudisa chikafu ndikavapa
vakadya zvavo.Kutaura chokwadi mai
ava vaindinzwisa tsitsi.Ndainzwa
kurwadziwa why Idriss akaitawo
hutsinye kuvaurayira mwana
wavo.Ndainamata kuti dai vakazvara
kana matwins or matriplets.

"Mhamha vako vari muward mupi


unoziva ndavatsvaga ndikavashaya"
vakadaro mai Lenon zvinova
zvakandishamisa nekuti vaiti vavenga
mai vangu.Ko apa vari kuvatsvagirei.
"Ooh mapesana nguva dzandauya
nemi kuno ndipo pavabuda"

"Aaah ndiwe wauya neni"

Ndakambotandara naMai Lenon


ndakatoona vaitova free.Ndakazoenda
kumba kwatosviba.Ndakasvika baba
vangu vauya.

"Ko iwe unodei pano"


"Ndini ndamutora"

"Mai Morgan ndochii chaunoita.Hauna


kuudzwa here kuti mwana uyu
takamuripisa ngozi ndiye akatonzi ari
kudiwa"

"Asi mufi akataura zita remunhu waari


kuda here"

"Pacify dzoka kumba kwaMai Lenon


izvozvi.Pano hapasisina nzvimbo
yako"said dad.
Mhamha vakatanga kupopota
vakagumisira vakutukana nababa
vangu.Ndakatoona kuti mai vangu
vangatorohwa ndakapesanisa tutsoka
twangu ndichienda kwaMai Lenon
ndichichema.Ndaiti pamwe pane
achanditeverawo but apana kana 1
zvake.Ndakusvika pamba pamai
Lenon ndakabva ndabatwa naGamu.

"Ndatumwa namhamha hanzi ndikupe


bible hanzi usaita give up ndichamira
newe kuti ubve munyatwa idzi"said
Gamu.
"But dad havasi kuda kunzwisisa"

"Mhamha zvava dzoka kudai zvinhu


zvichanaka.Hanzi usakanganwa
kunamata please" she said akabva
adzoka.

Ndakapinda mumba maMai Lenon


ndakabata bible rangu.Team rese
raivamo vairatidza kunga vari kuita
kameeting kavo.Mai Lenon ndivo
vaisavamo chete.
"Wadzokererei mai vako havana kuuya
vachiti vakutora.Wakaita sei mukadzi
wangu zvekuti amukire ava
kuchipatara"

"BP yavo yakakwirisa handisini


ndakaikwidza ini" i said.

Ndakapinda muroom mangu handina


kumborara.Ndakatanga kufunga
zvandasiya zvichiitika kumba kwedu.

Handizive ndakazobatwa nehope


nguvai.Ndakakurumidza kumuka
vanhu vese vakashamisika kuona
ndatopedza basa rese chivanze
chachena zvese ndaita.Vakabuda vese
vakati ndisabva pamba.Vakadzoka
masikati vaina Mai Lenon.Ndichivaona
ndakafara asi ivo vakaratidza
kusandifarira.Ndakashaya kuti
ndavaita sei.Handina kuda kutaura
navo ndakanogara zvangu mudinning
ndichiverenga bible vakabva vauya
pandanga ndiri.

"Is that true kuti nezuro wakarara


mubedroom mangu nababa Lenon but
why Pacify" she said vakanditarisa.
"Saka muri kutozvi believer here"

"No ndosaka ndiri kukubvunza"

"Manyeperwa ndakarara muroom


mangu.Ko ndiani adaro"

"Shit Bamunini Malibo vari kuda


kuputsa imba yangu ndiri kuzviona
hangu"
"Mai Lenon munofana kunamata
zvakasimba.Mai vangu vakandiudza
kuti munamato une simba kana
ukanamata uchirevesa"

"Hooo but iwewe nefamily yako sei


makanyarara muchiziva Idriss ndiye
akauraya mwana wangu.Pese paya
pandaituka Saru maitoziva
chokwadi.Unoziva Mai vako vanga vari
sahwira wangu wepamoyo ndikafunga
mwana wangu ndorwadziwa kuti
akatoenda coz of your brother"

"Hapana munhu aiziva zvakaitika Mai


Lenon.Mhamha chaivo vakatanga
kutsvaga munhu akazviita ndipo
patakabata Idriss akazotaura
zvese.Ndiro day randakauya kuno
ndikakuudzai zvakaitika"

"Nezuro ndakarota Lenon achichema


akabata shamu aiita kunga ane munhu
waari kuda kurova handina
kuzvinzwisisa ini why ari kuchema
ngozi yacho yakaripwa" said Mai
Lenon vakabata shaya.

"Taurai namhamha vangu vanogona


kududzira hope vanokuudzai
zvadzinoreva" i said.

"Handisi kuda zvekutaura navo"

"Okay" i said

"Wanditsamwira here Pacify.Handide


kukuona wakatsamwa ndichataura
navo moyo wako ufare"

"No mom ndaitira kuti mubatsirwe hope


dzamakarota"
"Wow nhasi wanditiwo mom ndafara
zvisingaite"she said vachisekerera.

Mai Lenon vakabuda vakanorara


kubedroom kwavo.Mai vangu
ndaifunga vachauya kundiona or
kutumawo Gamu asi
havana.Kwakatosvika pakusviba tete
Sebi vakandimanikidza kuti ndibike
handina kuita nharo.

"Muroora wangu Mai Lenon ane


husimbe too much anoda kushandisa
inini" said tete.
"Havasati vasimba vachashanda kana
vava kunzwa bhoo"

"Zvakaita mai vako unoziva tikasvitsa


nyaya kumusoro uko vanoripa" said
tete Sebi.

"Inyaya yei yakaitika vakaita sei Mai


Dzoto" vakabvunza Mai Lenon
vachipinda mukitchen
mataiva.Vaitoratidza kuti vanzwa
zvatataura.
"Mai Dzoto vakauya pano vakarwisana
naBaba Lenon"

"Ko vakarwisana nenyaya yei.Tete


Sebi ko zvakaipei muchidzoka kumba
kwenyu nekuti muri 2 naMalibo
munongo creator nyaya
dzekunyepa.Bamunini vandinyepera
kuti Pacify akarara naBaba Lenon
imimi mava kunyepa futi zvaMai
Dzoto.Ndokumbirawo mune zvakanaka
muchienda kumba kwenyu"

"Kundidzinga here Mai Lenon unoziva


ndakamira newe pakafa Lenon nhasi
wava kundidzinga.Ndaiita mabasa ese
asingafani kuitwa neni ndichiitira
iwewe.Kana uriwe waronga deal naMai
Dzoto wait ndiwe unotobva pano
ndinoda kuudza mkoma vangu.Zvitori
nani varoore umwe mkadzi ane
respect nehama dzemurume"

Mai Lenon havana kupindura vakabva


vatobuda.Ndakasiyawo zvandanga
ndichiita ndikatevera mai
Lenon.Vanga vatozvilockera
mubedroom mavo.Ndakaknocka
havana kuvhura ndakasiyana navo.
Baba Lenon naMalibo vakasvika
vakapihwa chikafu chavo.

"Mkoma mangwana ndava kuenda"


tete Sebi said

"Ko hindava chimbogara 2 weeks


wozoenda ndatambira"

"Kugara ndaida but mukadzi wako


andidzinga pano pandataura nyaya
yekuti Mai Dzoto vakanganisa bvunzai
Pacify azvinzwawo"
"Mkoma ndakambokuudzai kudhara
dai makaroora musikana uya anonzi
Chipo ane hunhu kwete mai Lenon
ava.Havana kana respect chaiyo" said
Malibo

Baba Lenon havana zvavakataura


vakaenda kubedroom kwaiva naMai
Lenon.Ndakaenda kuroom kwangu
yaibhowa yanga isina locker.Malibo
akasvika akapfeka boxer nekutopinda
mumagumbezi angu.....
*Drop your comments*

Watch out for chapter 22


*PACIFY*

https://chat.whatsapp.com/LT3YNAOa
k2bKMvg5f40aNu
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+2722725562

*Chapter 20*
*Pacify*

"Mhamha matopora"

"Tell me chii changa chakaitika


pandiri.Ndakauya sei kuchipatara"

Ndakavatsanangurira mauyiro avakaita


kuchipatara.Ndakazoona vava
kupukuta misodzi yavo.

"Okay wagona wauya kunditora


handichadi kugara muno" said mom.

Ndipo pakabva papinda Morgan,Gamu


naMai Roy.Ndichiona vanhu ava
ndakabuda ndaisamboda zvekutaura
navo.Ndanga ndakatogura ukama
navo.Ndakasvika kwaiva naMai Lenon
vakarara vakaiswa chinhu che
oxygen.Ndakagara pachair
ndakavatarisa ndaingonamata kuti dai
vapora.Kurimwe side ndaifarawo kuti
mai vangu vapora.

Ndakabuda ndikaenda kuward kwaiva


namai vangu ndaitonzwa kuda kutaura
navo.Ndakasvika vachitaura
naMorgan.

"Pacify huya pano mwanangu ko


makaitana sei papinda ana Morgan
wabva wabuda I can see kuti une
stress chii ndiudze"said mhamha.

"Mhamha just know ndimi hama yangu


yandasarwa nayo.Vamwe avo
vachakuudzai zvavakandiita.Mhamha
ndiri kuona nhamo nekuda kwavanhu
ivava" i said ndava kuchema.
"Mai Roy chiii chakaitika makaitei
mwana wangu ndiudzei iwe Morgan
chii chakaitika"

"Mhamha tozotaura nyaya iyi tava


kumba" said Morgan akatarisa pasi.

"Ndati makaitei mwana wangu"

"Mhamha please help me.Ndimi mega


mokwanisa kundibatsira life yandiri
kurarama uko haisi easy"
"Kupi kumba here uri kuitwa sei uye
nani"

"Baba Lenon naMalibo vandionesa


nhamo mhamha"

"Oooh wakugara kumba kwaMai Lenon


ooh no no I hope zvandiri kufunga
hazvisizvo hauna kuripiswa ngozi iyi"

"Ndizvo zvakatoitika sis panga pasina


option" said Mai Roy.
"Panga pasina option mukati mwana
wangu Pacify ndiye anoita kuripisa
nhai ka.Makatora advantage
yekurwara kwangu.Manje as long ndiri
mupenyu mwana wangu haaripiswe
ngozi.Handina kuzvarira ngozi
inini"said mhamha nehasha.

"Sis ma...."

"Get out usataura neni Susan


mungaendesa mwana wangu newe
Morgan buda muno wakatadza
kumirawo nehanzvadzi yako" said
mhamha.

Mai Roy vakabuda kana iye Morgan


haana zvakataura asi ndakaona kuti
anga atsamwa.Handina kumboita basa
nazvo Gamu ndiye akasara.

"Mainini Mai Pacify kutaura chokwadi


mkoma Morgan havasi wrong vaiva
agnaist idea yekuendesa Pacify munhu
ane problem panyaya iyi ndibaba ndivo
vakaita nharo vachiti hatina option"said
Gamu.
"Mufi akati ari kuda Pacify
here"vakabvunza mhamha.

Gamu akabva avatsanangurira


zvakaitika zvese.

"Saka uri kureva kuti hapana chivanhu


chakaitwa here"vakabvunza mhamha.

"Aaah handizozive nekuti ndanga


ndisiko but sematauriro akaita mkoma
Morgan vakati Lenon ati anoda
mwanasikana nemombe.Then
pavakazodzoka futi vakati mufi ati
anoda nemota futi hanzi nembudzi
pamusoro"

"Zviri kureva kuti apana chivanhu


chakaitwa apa.Chandoziva pachiripwa
ngozi pane chivanhu choitwa panoita
munhu anobudirwa nemudzimu
achitaura saLenon.Pane zvinoitwa but
hazvina hazvo kunyanya
kuwanda.Maonero andatozviita vanhu
ava vakangotaura zvavanoda pasina
kuita chivanhu.Ingozi ipi inoda kuripwa
nemombe dzose yoti munhu futi
pamusoro yoti mota voti mbudzi
hakuna zvakadaro"
"Mai Lenon ndivo vakatoti vanoda
Pacify ndizvo zvakandakaudzwa
namkoma.Pliz mhamha help my lil
sister.Moyo wangu haufare kuona
achiripiswa haana
chakatadza.Ndakambotaura idea
yekuti mwana waIdriss ndiye
acharipiswa ndikatukwa nababa" said
Gamu ndipo pandakaona kuti aivawo
necare neni.

"Mira vanofana kutangidza kuita zvinhu


zvavo ndiripo.Zvinoitwa pakuripa ngozi
ndozviziva zvese handisi mwana
mudiki wavanopusisa.Mwana wangu
Pacify ndiri kudzoka naye kumba nhasi
chaiye" said mhamha.

Ndakanzwa kufara ndichinzwa


mhamha vachindisapota.Ndipo
pandakanyatsa kuona kuti munhu
anonzi amai muhupenyu chinhu
chakakosha.Doc vakazouya vachitaura
kuti mhamha vanga vava
bhoo.Takabuda tikanomira kunze
kwehospital ndakabva ndarangarira
kuti ndasiya Mai Lenon.Ndaifana
kumirawo navo sezvo vanga vamirawo
neni ndichiri kumba kwavo.Ndakaudza
mhamha zvakaitika kuna Mai Lenon.
"Okay patiri kuenda tiri kusvika kumba
kwavo uchitora hembe
dzako.Tovaudza kuti Mai Lenon vari
kuchipatara.Wagona mwanangu
wavaunza kuchipatara.Mai Lenon
havana moyo wakaipa asi kungoti
vaiva nehasha dzekuurairwa mwana
wavo ndozvinzwisisa" said mhamha.

"Muri right mhamha vane care neni Mai


Lenon.Pese pandaitukwa vaimira neni
vakatonetsana nemurume wavo
because of me mhamha.Zviri
kundirwadza ndiri kungonamata kuti
dai vanzwisisana"

Takasvika pamba mota yaMorgan


isipo.Pamba paingova naMai Roy
naAnaya chete.

"Mai Morgen I know


wakanditsamwira.Ndaisatodawo kuti
Pacify aende but murume wako
akandituka nenyaya iyoyo ndamuti
azviite.Pano apana aida Pacify aende
kunze kwemurume wako naIdriss
ndovenga vaizvisapota"
"Itondiperekedza kumba kwamai
Lenon ndoda kunotora hembe
dzemwana wangu" said mhamha.

"But zvinobuda here zvamakuita


vakoma.Mwana anga akatoenda uyu"

"Havana kuita chivanhu vakangoita


zvemumusoro wavo kuda
kutirwadzisa.I know mwana wangu
Idriss akatadza pakuuraya Lenon
tinotofana kuripa handirambi but
maitiro avakuita haite.Zvinhu
ngazviitwe negwara chairo kwete
zvekuda kurwadzisana chete" said
mhamha.

"But muri right vakoma handina


kuzvinzwisisa zvakaitika ipapo but
ndinoona zvakanaka mutange naBaba
Morgan first"

"Mai Roy murume wangu


unomuziva.Hapana need yekutaura
naye but achazongoona maresult
chete"

"Haaa Pacify ari pamoyo zveshuwa"


said Mai Roy vachisekerera zvavo.
Mhamha vakabikirwa chikafu
vakadya.Vachipedza takapinda
muroad kuenda kumba kwaMai Lenon
kunotora hembe dzangu nekuvaudza
kuti Mai Lenon vari kuchipatara.

*Saru*
"But tete handisi kuda kuvaona baba
vacho why muri kundimanikidza"

"Sarudzai ndazviitira ugare uchiziva


baba vako.Pane pauchavada mulife
mako zvizive.Chero ukavavenga sei
just know vanongoramba vari baba
vako iropa rako.Izvi ndatozviitira
muzivane nguva iripo nevana vavo ko
mukazodanana muroad nemwana
wababa vako usingazive hanty
unozafamba uchishoora kuti mhamha
natete havana kundiudza hama
dzangu" said tete but ndakatoona
vaiva vari right.
"Saka tiri kuenda namhamha here"

"Yes tiri vatatu coz baba vako havasi


kutoziva uripo.Pavakasiya varova mai
vako vakatiza vachiti vauraya mai vako
nhumbu ikabva"

Ndakageza ndikapedza asi mhamha


vanga vangori zii.Takaenda kunokwira
Zupco rainanga Harare.Takagara
pasame seat riya rinogara vanhu
vatatu.Ndini ndaiva pakati tete vari
kuwindow.
"But tete ko akazviramba kuti uyu
mwana wake" vakabvunza mhamha.

"Dai waenda wega aitoramba that's


why ndiri kuenda nemi ndinoziva
matauriro andichaita naye.Ko
zvinombonetsa here hanty kune
maDNA test here"

"Nditori nehasha ndiri kufunga


zvaakasiya andiita"
"Maprevious enyu motomboisa paside
apa tiri kuitira mwana azive baba vake"
said tete.

Bhazi rakasvika Marondera


rikambomira.Tete vakadzika
ndakangoti zvimwe vari kuenda
kutoilet.Mhamha vanga vakatorara
zvavo.Pasina nguva tete vakapinda
vakabata mapaperbag achicken Inn
matatu nemadrinks
acho.Vakatitambidza ndakafara nekuti
ndanga ndatovawo nenzara.

"Apa tete mandigonera handitozive


ndakagumisira kuidya rini chicken Inn"i
said ndichivhura drink rangu.

"Mwanangu paunoshanda
usazokanganwavo tete vako.Uri kuona
vanokuda pandaiva nenhumbu yako
vakamira neni" said mhamha vachidya.

"Saru ndinonamata kuti uroorwe


nemunhu anotya Mwari.Paunoita
mkomana unondiudza wouya kwaye
kwandiri ndinenge ndichida kumuona
kuti anoita here"

"Munozviona sei kuti


anoita"ndakabvunza.

"Ndava munhu mukuru Saru ndine


maonero andoita"

Bhazi rakasimuka ndichiri


kudya.Ndakatadza kupedza
ndakarongedza ndichiti ndichazodya
ndava nenzara.Takasvika muHarare
tikadzika.Tete vakatsvaga lift
yaizotosvitsa kumba kwatiri
kuenda.Mota yakarohwa tikasvika
kwaiva nedzimba
dzakanaka.Takadziswa pane rimwe
gate reGreen.Ndakatarisa panga
pakanyorwa house number nezita
rekuti *Mr & Mrs Gwindiri*.

"Apa ndipo pamba pababa vako" said


tete.

"Hoo"

Tete vakanoka pagate pakauya umwe


mkomana achivhura gate.Aitoratidza
kuti ndiye garden boy wepamba apa.
"How can I help you" he said.

"Tauya kuona Mr Gwindiri"

"Ndimi ani vavo nekuti vakati


ndisapinze vanhu vese vese mumba
mavo"

"Ndiri hanzvadzi yavo" said tete.

Mkomana uya akabva apinda mumba


achitisiya tiri pamba.Ndakatoona kuti
paiva pechirungu pamba
apa.Mkomana uya akadzoka akati
tipinde.Takapinda imba yanga
yakanaka zvayo.Takasvika nekugara
pamasofa aivamo.Umwe murume
wechikuru akapinda pakangoona Mai
vangu akabva asticker.Akaramba
akamira akatarisa mai vangu sekunga
ari kuona chipoko.Mhamha vakabvawo
vatofutisa kumeso.

"Usanditarisa Cephas wanzwa here"


said mhamha vakabva vabatwa natete.
Mudhara uya akabva agara pasofa asi
ziso rake raisabva pana mai vangu.

"I know uri kushamisika kuti sei ari


mupenyu munhu uyu.Pawakatiza paya
ndakamutora ndikamuendesa
kuchipatara haana kubva
mimba.Akazvara mwana wauri kuona
uyu anonzi Sarudzai.Iwe Saru ava
ndivo baba vako" said tete.

Mr Gwindiri vacho vakabva vanditarisa


asi havana kumbotaura chinhu.
"Cephas wanzwa zvandataura here"

"Makadii kuuya kundiudza


paakazvarwa pacho.Makuuya naye
akura kudai munondiona semwana
mudiki here vanhu imi.Get out
musadzoke futi pamba pangu.Tendai
wakandipandikura kudhara wakabheja
uchiti hauchafi wakatsika pamba
pangu zvino uri kudei.Kana uchida
mari kumbira zvakanaka" said Mr
Gwindiri vachireva tete vangu.

Ndakanzwa hasha ndichinzwa izvi.


"Mr Gwipiri , kwitsiri whatever i don't
care nechizita chenyu but mava
kuzofarisa kana makutuka tete
vangu.Hatina kuuya kukumbira mari
manzwa here I will revenge
nezvamakaita mai vangu ndiri
kuzviziva" i said nehasha

Mudhara uya akabva auya pandiri


akasimudza ruoko achida kundipa
mbama ndakabata ruoko rwavo
ndikavapusha vakadonhera
pasofa.Ndakazoona ndabatwa huro
kutarisa kudai mkomana uya
wekudriver kahonda fit
katsakara.Ndakatoshaya kuti apinda
nguvai.

"Unopusha baba vangu kuti zviite


sei.Ibvai pano mese ndisati
ndatsamwa now" said mkomana uya.

"Uudze baba vako vasatuka tete


vangu.Just know I will revenge
zvavakaita mai vangu makore apfuura
iwe usatombopindira unofira mahara"

"Handityisidzirwe nemunhu asati


akugona kugeza.Munhu asati akugona
kupfeka get out"

Ndakanhonga water glass patable


ndichida kumutema naro ndikabatwa
natete.Vakabuda neni ndanga
ndakuboila nehasha.Mkomana uyu
akabvira kare achindijairira mhani.....

*Drop your comments*


Watch out for chapter 21
*PACIFY*

https://chat.whatsapp.com/LT3YNAOa
k2bKMvg5f40aNu
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587
_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+2722725562

*Chapter 22*

*Pacify*

Pandakaona Malibo apinda


mumagumbezi angu ndakabva
ndabuda ndikanorara
mudinning.Ndakakurumidza kumuka
semazuva ese ndikaita basa.Mai
Lenon vakamuka vachiona Malibo
achibuda muroom
mangu.Vakangonditarisa neziso rine
mubvunzo asi havana zvavakataura
havo.Asi zvakandishamisa Mai Lenon
vanga vakazvimba dama vaiita kunga
vakarohwa.Tete Sebi vakabudawo
nemabag avo vairatidza kuti vakuenda.

"Hanzvadzi ndakati wozoenda


ndatambira now handina chinhu
chandingakupa kuti uende
nacho.Chimbogara unozoenda nyaya
idzi dzanyatsa kupera hausi kuona Mai
Dzoto vakuda kusimudza mhepo here"
said Baba Lenon

"Mkoma ndogarirei pamba


pandisingadiwe mukadzi wenyu
akabuda pachena achiti handide pano"

"Ndakataura naye nezuro Sebina


hapana kwauri kuenda.Zvimwe
zvotaura Mai Lenon usazvitevedza
musoro wavo hautori mushe" said
baba Lenon.

Mai Lenon havana zvavakataura


vakagadzirira murume wavo tea
akanwa akabva aenda kubasa pamwe
chete naMalibo.Malibo ndakatoshaya
kuti asi akuendawo kubasa here nekuti
paibuda baba Lenon aibva abudawo.

"Pacify wava kuda kuzondigumbura


manje" said Mai Lenon vakanditarisa
zvekuti kana neni ndakatya
kupindura.Vanogona vari kuda
kupedzera hasha dzavo pandiri.

"Hausi kunzwa zvandiri kutaura


here.Just know zvawakaita handina
kuzvifarira"
"Ndakaita sei"

"Bamunini Malibo vabuda muroom


mako zviri kureva makarara mese"

"Handina kurara navo ndivo vakauya


muroom mangu vakasvika kupinda
mumagumbezi angu.Ndakarara pasofa
apo"

"Sorry mwanangu handei tinodya


tapedza toenda kumashops kunotenga
chilocker tiise padoor pako" she said.
Takanwa tea yedu nemadhumbe
tichipedza takaenda kumashops.Zuva
ranga richangobuda takatenga
zvatanga tafambira.Ivo Mai Lenon
vakabva vanditengera drink
nemabiscuits ndakavatenda.

"Ko makaitwa sei padama"


ndakabvunza

"Ndakadonha"
"Sorry mom"

"Okay handei kumba ndinoda kusvika


ndichienda kugarden kwangu"

Tava kudzoka takasangana


namhamha vangu apa ndaitova busy
kudya mabhisvo andanga
ndatengerwa.Zvagara ndaimafarirawo
sei.

"Pacify my daughter" said mhamha


vachiuya pandiri.
"Mamuka sei mhamha"

"Ndiri nani ko makasimba here Mai


Lenon"

"Ndakasimba" mai Lenon said nekubva


vanyarara.

"Mai Lenon ndoda kutaura nemi


zvingaitawo here"

"Hapana chakaipa Mai Dzoto taurai


henyu"

"Ndinoda kukutendai nekubata mwana


wangu kwamuri kuita ndinonzwa
kufara.Asi ndine nyaya yandanga
ndakataura naBaba Lenon but hatina
kunzwanana"

"Nyaya yekutora Pacify here"

"Umm nyaya yekuti zvekuripa izvi


zvitangidziswe ndiri kuona sekuti pane
pakakanganisika" said mhamha
vakazvininipisa.
"Mai Dzoto unoziva ndanga
ndakambokutsamwira izvozvi
handisisina.Pacify akandiudza
everything kuti maisatoziva chokwadi
asi nyaya yekuti mwana wako
akauraya mwana wangu ndiyo ichiri
kungobata bata"

"Mutori neright yekutitsamwira Mai


Lenon"

"Ndakarota mwana wangu achichema


akabata shamu.Ko chingava chii
munoziva ifirst time yangu kurota
Lenon kubva zvakafa"

"Pane zvakaitwa zvisina kufadza


mufi.Ndosaka ndakauya kutaura
naBaba Lenon kuti vagadzirise zvinhu
nguva iripo"

"Okay thanks Mai Dzoto ndichazama


kutaura nemurume wangu"

"Pacify chimbosuduruka tine zvatikuda


kutaura zvisingadi iwewe" said
mhamha.
Ndakanomira zvangu nechekure ndipo
pandakaona Malibo achiuyawo.Akabva
apinda mune kamwe kasango
ndakamuona akahwanda achitora
mhamha naMai Lenon mapics.Apa
vanga vambundirana.Ndakanhonga
dombo ndichida kumutema naro
ndakazofunga ndinogona kuuraya
munhu nazvo ndikabva
ndasiya.Ndakamhanya kwaiva nana
mhamha.

"Aka kuda nyaya" said mhamha


vachiseka.

"Bamunini Malibo vanga vakahwanda


apo vakutorai mapictures"

"kune vamwe varume vasina kukwana


kutitora mapictures kuti taita sei" said
mhamha.

Takabva tapesana tikaenda kumba


naMai Lenon asi waitoona kuti
pfungwa dziri kure.Ko vasara
vachitaura nyaya yei yavaisada kuti
inini ndinzwe.Takasvika pamba tete
Sebi vatouraya huku vachifuraya zvavo
apa makuseni akadai.

"Tete mauraya huku yangu why


amana"said Mai Lenon

"Wakauya nehuku pano here iwewe


gara wanyarara"

"Huku dziri pano ndedzangu bvunzai


mkoma venyu vanokuudzai.Zvamaita
zvakashata how do you feel ndikasvika
kumba kwenyu ndouraya huku ndisina
kutaura nemi"

"Baba Lenon ndivo vasiya vati


tizouraya huku.Zvamatouya magona
chipedzisai kubika.Hapasi kubikwa
sadza pano asi rice kana maspaghetti"
she said vachitora bucket kunogeza.

"Pacify usabata hako vanojairira tete


ava.Huku yangu vachaidzosa
ndavanyararira vakundiona
sendakapusa" said Mai Lenon

Ndakapinda mumba ndikaisa locker


padoor pangu.Tete Sebi vakazopedza
kugeza vakaona kuti hatina
kumbobika.

"Tete Sebina huku yangu ndiri


kuida.Maifana matanga mataura neni
musati mauraya.Manje huku ndiri
kuida"said Mai Lenon

"Woudza murume wako izvozvo nekuti


ndiye asiya ati tiuraye huku pano",

"Baba Lenon vangoudza imimi sei


vasina kundiudza.Asi ndimi mukadzi
wavo here zvimwe nezvimwe
tingaseka huku yangu ndiri kuida pano
hapadyiwe rinopisa musina kundipa
huku yangu"

Vaviri ava vakatanga kupopotedzana


kusvika vakurwa.Mai Lenon vakakurira
tete Sebi handina
kumbobata.Ndopindira nyaya dzisinei
neni.

"You will regrett nekundirova kwawaita


mira uone" said Sebina achibuda
ameno akaendepi.
Mai Lenon vakabva vaenda
mubedroom mavo
vakazvivharira.Nguva dzakafamba
Sebina asati adzoka ava
vachakangozvivharira.Ndipo pakasvika
Pipi akachena ndakafara
pandakamuona.

"Cute ndanga ndakusuwa"she said.

"Kana neni wow kamwana kedu kari


kukura" pandakadaro munhu akabva
atotsamwa.
"Ko chiii"

"Cute you know pandakauya kuno


paya mufesi wangu akandimisa
kuchipatara iye anga atodzoka Harare
asina kana
kutombondiudza.Ndakamubvunza
wakazviitirei akuti heee ndezvebasa
what what achindivhara.Semunhu
wandinoda ndakabva
ndamuregerera.Nyaya yakazotanga
pakauya cousin brother yangu
akandiona ndakambundirana navo
akafunga ndakaikisana navo akabva
andiramba achiti pamwe nhumbu haisi
yake"

"Sorry Pipi saka cousin brother yako iyi


yaisazivikanwa here nemkomana
wako"

"Havazivane pakauya ndaitoda kumu


introducer kumkomana wangu"

"Asi maisagara mese here


nemkomana wako"

"Pandakaziva kuti ndaita pamuviri


ndakaenda kumba kwavo.Mai vake
Mrs Gwindiri vakandidzinga vachiti
havandide ndiri hure.Josh
akanditsvagira pekuroja ndipo pandiri
kugara but haachaunze mari yerent
lucky cousin bro yangu ndiyo
yandikundibatsira panyaya dzerent"

"Kune vanhu vane moyo wakaipa


shuwa.Kana Josh ari wako achadzoka
hake"

"I love him so much ndoshaya


akandiitei kuti ndimude zvakadai iye
achindirwadzisa"said Pipi
"Mwana ari mudumbu ndiye ari kuda
baba vake ndiri kuzviona hangu but
usamunyengerera musiye akadaro"

"Cute hausi kushungurudzwa here


pano.Kana vachikushungurudza
ndokutora toenda tese Harare"

"Guess Mai vepano vanondifarira


vanondibata semwana wavo.Mai
vangu vakapora vakufambira nyaya
dzacho manje manje ndinenge
ndadzoka kumba"
"wow zvinofadza izvi ndipewo mvura
yekunwa" Pipi said.

Ndakapinda mumba ndikamupa mvura


akanwa.

"Ndakutengera foni iyi inoenda paApp


but isecond hand hayo asi ndikaita
mari chakutengera nyowani" Pipi said.

"Hiiiiii Pacify Dzoto chaiye kuita foni ino


watsura" i said ndichiscreamer
nemufaro zvakaita Mai Lenon vabuda
mumba.

"Ko chiii inoise yei nhai Pacify"

"Ndatengerwa foni inoenda paApp


vanondiona ana Gamu vaindidadira
manje ndava neyangu" i said ndichifara
kana Mai Lenon vakabva vasekerera
vakanditarisa.

Kushandisa ndaigona nekuti ndiri


kumba ndaimboshandisa futi yaSis
Gamu.Akasiya andipa line renetone
ranga ritori nebundle kare .Maingova
nenumber dzake ndakabva ndaisa
dzaMai Lenon nedzamai vangu
nedzaGamu.Munhu wandakatanga
kutaura naye ndiGamu.

"Wozoshandisa ndaenda amana


ndauya kuona iwewe" said Pipi

"Asi hausi kurara"

"Ndichazorara next time ndiri kufana


kutodzoka"
"Pipi wandigonera wandifadza I
promise ndikatanga kushanda
chakuitirawo something"

"Pacify bika chikafu upewo umwe


wako" said Mai Lenon

Ndakagadzira chikafu ndikamupa.Ava


kuenda ndakamuperekedza ndipo
patakasangana nemota
yaMorgan.Takapinda mumota muya.
"Pacify uchakanditsamwira unoziva
ndanga ndiri agnaist idea yekuti uende
kwaMai Lenon here.Do you know
handisi kutowirirana namudhara
nenyaya iyoyo"

"Kungoti mandiwana ndiri mugood


mood tozotaura nyaya yacho
pawatsapu"

"Wava nefoni"

"Yes ndatengerwa naPipi wangu"i said


"Waita basa Pipi wafadza hanzvadzi
yangu zvandakatadza kuitawo" said
Morgan.

"Tasvika takusara toda kuenda


pamabus eHarare" i said

"Ndiri kuenda Harare inini" said


Morgan

"Saka zvakanaka chibvai mangoenda


mese" ndakadaro.
Takataura naPipi kwenguva pfupi
akabva andipa futi kamari this time
ndakaramba mafavours acho
azonyanya kuwandisa.Akabva
aipfekera mubraa mangu,Pipi aitovawo
nedrama.Mari ndanga ndava nayo
yakawand nekuti yakambondisiira
ndichinayo handina kubvira
ndaishandisa neimwe
yandakambopihwa namkoma
Morgan.Ndakafunga kupawo mai
vangu half yacho vamutse business
ravo raparara.
Ndakuenda kumba ndakapfuura
nepabhawa ndikaona baba vangu
vakaita kupera nedoro.Ko
zvavakamboti havachanwi
ndakatozvishayawo.Handina
kumbotaura navo ndakasvika kumba
kwaMai Lenon vakagara pasofa
vakazvimba vairatidza kuti varohwa.

"Uri kuronga deal naMai Dzoto


vaunoziva kuti ndivo vane mwana
akauraya Lenon wedu.Pamusoro
pazvo worova hanzvadzi yangu
kahuku kacho kashamisirei
kaunopopotera mwana wamai
vangu.Pano unobva ndiri kutokuudza
rongedza mabag ako ubve pano
zvangu newe zvatopera.Nekuti uri
team yaMai Dzoto kureva kuti watova
enermy yangu"

Mai Lenon vakaramba vakanyarara


vachingosvimha misodzi.Kana neni
ndakatanga kuchemawo.Mai Lenon
vakarongedza mabags avo vakauya
mudinning navo vachandioneka......

From chapter 25 rinenge rava


pasale.Vanoda kugara vatenga
madetails ari pazasi apo.Thanks kune
vachandisapotawo

End of Chapter 22

*Pacify from 25 to be onsale*

*Ecocash payments*
130rtgs
0785413183

Zita rinobuda L.Mazino

*Airtime payments*

150rtgs
Econet airtym

0785413183

Vari SA 15 rand econet airtime from


shoprite or via mukuru or voucher
0785413183

*Kana waisa mari yako isa proof yako


yescreenshot panumberi idzi*

+263774206587
*PACIFY*

https://chat.whatsapp.com/LT3YNAOa
k2bKMvg5f40aNu
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/
*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+2722725562

*Chapter 23*

*Pipi*
Takasvika kuHarare zvakanaka
naMorgan ndakatoona munhu aitova
free.Haana kundibhadharisa
ndakasvika pa2 rooms dzangu
dzandairoja ndikabva ndatorara
ndainzwa kuneta muviri
wese.Pandakamuka ndakafonera Josh
ndanga ndamusuwa.

"Hey Josh I miss you" i said

"Pipi how many times ndichikuti siyana


neni.Zvangu newe zvakatopera
waindinyepera pese apa kuti yaunayo
inhumbu yangu iwe uchiziva chokwadi"

"Josh handina kukunyepera ndiwe


baba vemwana wangu but why usiri
kuda kutererawo side rangu
unondirwadzisa nekuti unoziva
ndakaperera pauri"

"Ndoziva sei kuti inhumbu yangu


ndakakuwana usina kuzara iwe.Apa
waitokisana nechitsaga chiya
wondinyepera kuti ibrother yako usada
kundiita benzi mai vangu vaiva right
pavakati uri hure nxaaa" he said
nekubva akata.

Ndakatanga kuchema why Josh


achindidaro.Yes akawana ndisina
kuzara but ndakamuudza zvakaitika
kuti I was raped nefirst lover yangu
yandakatanga kudanana nayo.My bro
ndiye aindiona parent asi chikafu
ndaiwona yekutamba zvaisaita
ndimukumbire zvese.Ndakatoona best
way kuenda kumba kwana Josh
kunotaura naye face to face pamwe
anganzwisisa.
Ndakaenda kumba kwana Josh
ndakasvika vabereki vake varipo asi
iye wacho handina
kumuona.Ndakatoziva kuti ari kubasa
nekuti munhu anogara ari busy.

"Wavingei pano handina kukuudza


handikude pano" said Mai Josh.

"Mai Josh ndozvinoitwa here musiye


agare ataura nyaya yake first" said Mr
Gwindiri.

"Musikana uyu ihure aizama kupa


mwana wangu mimba isiri yake
ndakazviona.Josh akandiudza hake
aingoda mari pamwana wangu uyu
unoti ndosekerera zvakadai here"

"Is that true kuti nhumbu yaunayo haisi


yaJosh" vakabvunza Mr Gwindiri.

"Ndeya Josh handisi kunyepa ini"

"Haiwavo ibva pano usadzoke futi"


said Mai Josh vachindidzinga.
Ndakabva ndabuda ndikatanga
kufamba ndichirwadziwa.Mai Josh
ndivo vaiita mwana wavo andirambe
asi pachokwadi Josh anondida
ndozviziva hangu.Ndakasangana
neumwe musikana akada kufanana
naJosh.Ndakaramba ndakamutarisa
ndikaona vakatofanana ko Josh
zvakati anozvarwa ega.

"Ko sister asi mandifananidza here"


akabvunza musikana uya.

"Ehe wakafanana naJosh ane mune


hukama"

"Josh wepi handimuzive ini I think


kungofananawo kwevanhu" she said
akabva atoenda.

Ndakafunga kuenda kumba


kwevabereki vangu asi ndakaona
zvaisaita.Ndakavanyadzisa ndaitonzwa
kunyara nazvo
zvandakaita.Ndakadzoka kumba
kwangu ndikasvika kugara paveranda
paiva nezuva ndipo pakasvika Andy
brother yangu.
"Ko kuzogara pazuva kwakanaka here"
akabvunza.

"Ndiri kunzwa kupindwa nechando"

"Iwe nemapisiro akuri kuita here.But


Pipi hazvisi safe kuti ugare wega since
wakazvitakura wadii kudzoka kune
machembere vanokutambira"

"iiiih Andy unoona zvichiita here


izvozvo.Handidi kuvaremedza
nemutoro kana musingachakwanise
kundibhadharira rent no problem
ndotsvaga kasmall business
kandingaitawo"

"No handina kudaro hausi kunzwisisa


Pipi"

"Hakuna kwandodzoka Andy"

"Saka Josh wakazotaura naye here


akati chii"
"Ndakaenda kumba kwavo ndichida
kumuona ndikadzingwa namai vake"

"Vazofarisa mai ava ndatochinja


pfungwa wakuenda kunogara kumba
kwana Josh ikoko.Ndakambovanyarira
ndichiti vachachinja hunhu but
vakuenderera rongedza mabag tiende"
said Andy

"Handidi hangu kugara kwausingadiwe


hazvingoite"

"Kwausingadiwe kudii iwewe


pawaivhura makumbo ako waiti
zvichagumura kupi.Nhasi ndiri
kunokusiya kumba kwana
Josh.Ndakuti tiende kumba kunana
mhamha ukaramba.Hazviite ugare
wega since wakazvitakura"

"Hausi wava kundiomesera here apa


kana usingachadi kundipa yerent
unorega kwete kundimanikidza
zvandisingadi"

"Unoziva vana mhamha havasi


kutoziva kuti wakarambwa havasi
kutozviziva kuti uri kurenta
pano.Ndoda usarudze kuti unodei kuti
tiende kumba kwana Josh or todzokera
kwana muchembere"

"Okay ngatiende kwana Josh kwacho I


feel kuti anondida asi mai vake ndivo
vari kumupushira kure neni"

Andy akandiperekedza kumba kwana


Josh.Patakasvika mai Josh vakatanga
kupopota.

"Eeeeh better mutodzikama zvenyu


handisi Josh wamunoitira matsvina
akadai.Uyu ihanzvadzi yangu ane
mimba yemwana wenyu achatogara
pano muchida musingadi anyone
anomushungurumudza muchazoziva
anonzi Andrew ndiani" Andy said.

Mai Josh vakabva vadzikama kuti


kutya here
ndakazvishayawo.Ndakaramba
ndakamira ndichifunga
vachandiratidzawo room asi havana.

"Mai Josh ratidza mwana


room.Usanetseka hako chokwadi
chichabuda panozvarwa mwana toita
maDNA test" said Mr Gwindiri.

Ndakaratidzwa room yangu ndaiti


vachandiendesa kubedroom kwaJosh
asi havana kudaro.Bedroom yaJosh
ndaiiziva hangu.Ndakaisa mabag angu
ndikadzoka kuna Andy ndakasvika ari
kutaura naMr Gwindiri.

Andy haana kugara akabva atoenda


hake.Ndipo pakabva pafona Pacify
achichema aisambotaura zvonzwika.
"Huya unditore hako"

"Ko zvaita sei Pacify paya ndakati huya


tikagare tese ukaramba"

"Now ndakuda ndaka..."

Haana kupedza kutaura foni


yakata.Ndakazama kumufonera yanga
isingachapinda.Ndakatanga kuva
worried ndakatanga kuzvituka dai
ndakamunyengerera ndakauya
naye.Ko Mai vake zvaiti vapora vari
kuita sei, ko aitwa sei zvaari kuchema.

Ndakatozviudza kuti mangwana


ndomukira kuenda kunomutora.Better
ndomutsvagira ka1 room kekuroja
better pane kugara
achishungurudzwa.Apa nzara yanga
yakundibvunza zita.Ndakaenda
mukitchen ndichida
chikafu.Ndakasvika ndikaona mune
chikafu but zvaisaita ndingotora
ndisina kupihwa.Ndakaenda kuna Mai
Josh vanga vari kuona zvavo TV.
"Mhamha ndava nenzara"

"Hauzive kune kitchen here, saka uri


kundiudza kuti ndikubikire here"

"Sorry mhamha" i said ndichifamba


kuenda mukitchen.

Ndakaona mabanana ndikamadya


ese.Ndakadya futi chikafu changa
chasara chese.Ndanga ndachiguta
ndakaenda kunorara ndichibatanidza
mari yetransport kuti ndinotora
Pacify.Pasina nguva ndinonzwa
kutinhira kwemota panze ndinoona ari
Josh.Ndakafara pandakamuona
ndakabuda muroom mangu
ndikamumhanyira but iye akandipusha
ndikabva ndadonha.

"Ari kudei pano,mhamha handina


kukuudzai here kuti nhumbu yaanayo
haisi yangu"

"Mwanangu auya namkoma vake


vakandityisidzira musiye agare
chokwadi chichabuda day rema DNA
Test"said Mai Josh.
"Asi Josh une shuwa nezvauri kundiita"

"Gara wanyarara mhamha munhu


iyeye haisi brother yake mufesi
wake.Ngaabve pano handidi agare
pano"

"Josh unonyatsoziva ndakaperera


pauri wondirwadzisa nemashoko
akadai.I know wakandiona ndisina
kuzara asi ndakakuudza past
yangu.Ndiri kushaya ndakakutadzirei
ini"
"Iwe mufamily menyu munozvarwa
muri 2 girls naPearl ko Andy sei
ndisingamuzive hauna kubvira
wakambotaura nezvake since tidanane
handisi mwana mudiki Pipi.Ndaikuda
but moyo wangu wakatosviba uri hure
pamwe waitoda mari kwandiri ndiani
anoziva"

"Ndakambokuudza Josh ukati


chembere iyi inopenga wakuzviona
wega.Anyway ngagare mwana
achizvarwa tichaona chokwadi" said
Mai Josh.
Ndakatanga kuchema kutaura
chokwadi mashoko aJosh akandibaya
pamoyo.Ndakasimuka ndikapinda
mumba ndakazvivharira muroom
mangu.Hapana kupera kana
maminutes akawanda door rangu
rakanokwa zvehasha.Ndakavhura
ndikaona vari Mai Josh.

"Iwewe wadya chikafu chaJosh kuti


zviite sei.Handina kukuti bika chako
here"
"Ko mabanana andakauya navo
nezuro" akadaro Josh

"Arimo mabanana ako enda unotarisa"


said Mai Josh

"Ari pai handina kumaona"

Vakabuda kuenda mukitchen


vakamashaya vakadzoka kwandiri.

"Uri nguruve here iwe kudya rudzii


kwaunoita"
"Sorry mhamha ndanga ndane nzara
handina kuziva kuti chikafu chaJosh"

"Next time unotanga wabvunza usati


wadya.Chienda unogeza mandiro
nekubika chikafu chemanheru now"
she said.

Apa ndaitonzwa husimbe


ndakazvimanikidza kuenda kunoita
zvavanga vandiudza.Pandakapedza
kusuka mandiro acho ndakashaya
ndobikei since vasina
kundiudza.Ukada kunobvunza
vanokudira rough futi.Moyo wangu
wairwadza shuwa ndoshungurudzwa
Josh akatarisa worse ndakatakura
mwana wake waari kuramba.

"Ko wakamirirei vamwe tava nenzara"


said Josh achinwa mvura.

"But why Josh uchidai ndakakutadzirei"

"Wakandi cheater plus ukundipa


mimba isiri yangu"
"Why usiri kuti ndikutsanangurirewo
side rangu"

"Hapana zvandoterera ndakakuona


uchikisana nemkomana iyeye wauri
kuda kundiutsanangurira kuti ibrother
yako"

"Josh why"

"Mira ndikuudze zvauri kufana


kubika"he said
Akasiya andiudza akabva
atobuda.Ndakabika ndichipedza
ndakabva ndatorara.Kuchiedza
ndakagadzirira kuti ndiende kunotora
Pacify sezvo munhu wepamba
pandairoja paya ndanga ndataura naye
kuti ndine munhu wandiri kuuya
naye.Asi Mai Josh vakandirambidza
kubuda kunze.

"Kana une nharo buda asi usadzoka


futi pano" she said.
*kwasara 24 chete...from 25 rinenge
rakuuya kusub group chete* vasina
mari yekutenga don't worry ndiri
kuunza new book kkk ifree book

End of chapter 23

*Pacify from 25 to be onsale*


*Ecocash payments*

130rtgs
0785413183

Zita rinobuda L.Mazino

*Airtime payments*

150rtgs
Econet airtym

0785413183
Vari SA 15 rand airtime Cell C

+2722725562

*Kana waisa mari yako isa proof yako


yescreenshot panumberi idzi*

+263774206587
*Pacify from 25 to be onsale*

*Ecocash payments*

130rtgs
0785413183
Zita rinobuda L.Mazino

*Airtime payments*

150rtgs
Econet airtym

0785413183

Vari SA 15 rand airtime Cell C

+27622725562
*Kana waisa mari yako isa proof yako
yescreenshot panumberi idzi*

+263774206587
*PACIFY*

https://chat.whatsapp.com/LT3YNAOa
k2bKMvg5f40aNu
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/106203765
266875/posts/112893001264618/

*_Written by _*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562

*Chapter 24*

*Saru*
"Tete ndasangana neumwe munhu
anditi ndakafanana naJosh.Who is
Josh"

"Josh mwana wababa wako ndiye uya


wawakanetsana" said tete

"Hooo"

"Apa tichagarirei ngatidzoke kumusha


toita sekunga tisina misha sei.Saru
apaona panogara baba vake iye
atozviona kuti havana care naye " said
mhamha.
"Yaaa todzoka mangwana izvozvi
ndoda kuenda kunotaura navo" said
tete.

"Endai asi Saru wangu hachadzoki


ikoko Cephas anoonererwa saka
zvaitoreva kuti pandaidanana naye
anga atori nemukadzi nekuti Josh uyo
muhombe kuna Saru"

"Ehe anga ane mukadzi kungoti


ndakazoziva kuti iwe unodanana
naCephas watova nemimba yaSaru
paya ndosaka ndisina kutokuudza kuti
aiva nemukadzi waigona kuita stress
ukapisa mwana"said tete

"Hazvina hazvo mhosva Mwari ndivo


vanotonga.Handidi zvakaitika pandiri
zviitike futi pamwana wangu Saru"

Ndakatozviudza ndaitoda kurevenger


zvakaitwa mhamha vangu kudhara
ndaiona zvanga zvichiri kuvabata
bata.Ndakangobuda ndichienda kumba
kwaMr Gwindiri.Ndakaknocker pagate
pacho mushandi wepo akavhura.
"Wadzoka ndiwe waida kurova boss
nemwana wavo wavingei pano"

"Iwe usapindire nyaya dzausingazive


vhura gate ndipinde"i said.

"Eeeh hakusi kumusha kuno kwekuti


unongosvika pamba pemunhu
pawadira.Anyway boss vakati
ndisakuvhurira gate dai watobva hako
nekuti Josh akakuona unozobva
uchimha....." haana kupedza
ndamupusha ndikapinda zveforce.
Ndakafamba ndikapinda mumba muya
ndikaona mune musikana uya
wekunditi ndakafanana
naJosh.Ndakangomutarisa ndisina
kutaura naye ndanga ndakarova
serious.

"Ko vanhu vepano varipi"


ndakabvunza.

"Varipo rega ndinovashevedza" she


said achisimuka Josh wacho akabva
atosvika.

"Iwe uri kudei pano, last time wakauya


pano uchida kurova dad vangu umbori
ani" Josh akabvunza.

"But Josh usataura naye nerough dai


magara pasi mataurirana I think isister
yako makafanana" musikana uya said.

"Pipi nyarara handina kuti utaure"

"Ndavinga kuona Mr Gwindiri kwete


iwewe Josh" i said

"Wauya kuvaona pachiii, uri kuda


kuuraya baba vangu here get out"

"Hakuna kwandinoenda wanzwa" i said

Josh akauya pandiri akandibata


achindidhonzera kunze.Ndakamhanya
paiva pakarongwa zvimatombo
ndakarinhonga ndikatema window
Josh akandisiya.Mr Gwindiri vakabva
vabuda neumwe mukadzi wechikuru
ndofunga ndivo Mai Josh vacho
hameno.

"Ndiani atema window iri" vakabvunza


Mr Gwindiri

"Ndini" i said

"What Cephas mwana waani uyu,


akafanana naJosh sei I hope zvandiri
kufunga hazvisizvo" said mukadzi uya.

"aaah ini kufanana nemunhu uyu saka


muri kundiudza kuti ndizvo zvakaita
face yangu kudai here" said Josh

"Makafanana kungoti musikana uyu


akazonaka kukupfuura chete" said Pipi

"Baba Josh wakanyarirei ndikuda


mhinduro ndati mwana uyu ndiani
aziva sei pano why akafanana naJosh
zviri kufamba sei" said Mai Josh

"Handina kuuya kuterera madrama


enyu.Mr Gwindiri ndiri kuda
kukusungisai nezvamakaita mai vangu
23years ago evidence ndatova nayo" i
said

Vanhu vese vakangonditarisa vasina


chavataura.Mr Gwindiri vanga vasvava
manje.Mukadzi wavo ndiye airamba
akanditarisa.

"Mai vako vanonzi ani zita


rekuberekwa" vakabvunza Mai Josh

"Bvunzai murume wenyu


anokuudzai.Byee tosangana
kumapurisa"
"Sarudzai wait" said Mr Gwindiri.

"Aaah unotoziva nezita rake" vakadaro


Mai josh vachishamisika.

"Enda unoshevedza tete vako uuye


navo tizotaura but mom vako handivadi
pano"

"Kana mom vangu vasipo hapana


anouya"
"Okay huyai navo"

Ndakatanga kufamba kubuda Pipi


akabva auya pandiri.

"Uri hanzvadzi yaJosh saka uri aunty


vangu" she said.

"I hate Josh wako iyeye ane dzungu"

"Saka muri kuuya kugara pano here


ndingafara kuti atleast ndawana
wekutaurawo naye" Pipi said.
"No tine nyaya yatiri kuda kugadzirisa
pano handigare"

Ndakabva ndaenda kwataigara


ndakasvika kuudza tete namhamha
drama raitika.Mhamha vakatanga
kuseka zvavo.Takagadzirira kuenda
kumba kwaMr Gwindiri tiri vatatu asi
Mai Josh naJosh vacho hatina
kuvaona.

"Ndiri kuda tiende kumaDNA test


tinotanga taona kuti Saru mwana
wangu here tozotangira ipapo" he said
vakapora pora vakatarisa mhamha
vangu.

"Cephas hapana maDNA anoitwa


zvagara zviri pachena mwana wako"

"Saka unoda ndibvume mwana


wandisingazive kuti ndewangu here"

"Hauna kusiya wandimitisa ukandirova


here iwe waifunga ndakafa ka"
"Ndaitoziva uri mupenyu asi
chandinoziva mimba ndiyo yakabva
saka zvekuti Saru mwana wangu ndiri
kushaya ndezvipi apa uri kuramba
maDNA" said Mr Gwindiri.

Pipi akabva auya achimhanya


akapfugama pamberi paMr Gwindiri.

"Ndokumbirawo kubuda ndine


someone wandiri kuda kunoona
kuBirchnough Bridge now" she said
achiita kunga ari worried.
"Kuona ani baba vemwana wako here"
he said

"No ndine friend yangu inonzi Pacify


ndikuda kumubatsira ari pama1 nezuro
ndakarambidzwa kubuda gate
namhamha"

"Ndi Pacify Dzoto here"ndakabvunza

"Pipi pano takati uchabuda wazvara


enda kuroom kwako hausi kuona ndiri
mumeeting here" Mr Gwindiri said
nehasha iye Pipi akabva adzoka asina
kundipindura.

Takanzwa kutinhira kwemota Mai Josh


vakapinda vakabata paper bag raiva
rakazara tunonaka.

"Saka ava ndivanani,aaah tete muri


vapenyu" said Mai Josh.

"Asi ndanga ndakafa here"


Vakabva vagara paside nemurume
wavo.

"Saka toenda kuma DNA test toona


kuti mwana wangu here" said Mr
Gwindiri.

"Baba Josh hapana need yemaDNA


test uyu mwana wako.Uri kungoramba
zviri pachena zvoreva kuti waindi
cheater kudhara une shuwa" said Mai
Josh.
"Hatina kubvira tadanana nemukadzi
uyu iwe Mai Josh why usiri kunzwisisa"
said Mr Gwindiri zvinova
zvakandirwadza vakuita mai vangu
hure.

"Mr Gwindiri ndine evidence yenyu


ndiri kuenda kunokusungisai"

"Enda tione anowina ndiani but first


tikutanga taenda kuma DNA ndapedza
ndokuperekedza kumapurisa"said Mr
Gwindiri.
Ndakanzwa hasha asi tete ndivo
vakandibata.Mhamha vakada
kutaurawo vakamiswa natete.

"Okay ngatiende kumaDNA acho" said


tete.

Takabuda Mai Josh nemurume wavo


vakapinda mumota isu tava kuda
kupinda Mr Gwindiri
vakaramba.Takazoita zvekuhire
malift.Takasvika kuchipatara mu office
maDoc ndakashamisika kuona Josh
arimowo akapfeka worksuit yakazara
maoil.Takataura nyaya yedu kuna Doc.
"But uyu anogona ari mwana wenyu
akafanana naJosh" said Doc

"Inini kufanana nemunhu akashata


kudai , be serious Kuda
ungandifananidza nemunhu akadai"
said Josh.

"Iwewe wakanaka here worse


unopfeka matsvina akadai woda
kushamisira"i said
"Tsvina yacho iyi kutsvaga mari
ndasiyana newe uchiri kuchengetwa
namai" said Josh

Takatukana takuda kurovana Doc


Kuda ndivo vakabata.Ndakatoona
vaiva mafriends.Zvakaitwa zvakaitwa
tikaenda kunomira panze.

"Maresult enyu muchamawana


mangwana makuseni now
ndakawandirwa nebasa" said Doc
Kuda.
"No problem mwanangu"said Mr
Gwindiri.

"No tiri kumada nhasi "i said.

"Mwana haana hunhu uyu ndizvo


zvimwe zvinotaridza kuti haasi mwana
wangu" said Mr Gwindiri.

"Ko wenyu Josh akarairwa here


mudhara iwewe uchaona hako oooh
naMwari ndiwe uchaudza vamwe
vanhu kuti hamungomitise motiza"
"Oooh mira ndikuperekedze kupolice
unotaura nyaya yako" said Mr Gwindiri.

"Baba Josh kana mwana akabuda ari


wako ndiri kurova pasi, nekuti waisava
netime neni uchinyepera kuti unenge
uri kubasa uchienda kunosasana
nemahure ako aya" said Mr Gwindiri.

"Hure ndiani mai imi mudzikame


ndakunyararai kubva kwese uko asi
hamusi kutonyara" said mhamha.
"hure ndiwe wakahura nemurume
wangu usada kundityisidzira
hautonyari wakuuya nemwana wakura
,wakadii kuuya naye achiri mudiki utori
nemission yekuda kunditorera murume
ka manje wanzva" Mai Josh said
vakabva vapihwa mbama namai
vangu.

Mai Josh vakuda kudzorera vakabva


vabatwa nemwana wavo Josh
vakabuda panze.Isu takaendawo
kwedu maresult acho taizomawana
mangwana sekutaura
kwavaita.Mhamha vanga vatova
nehasha kungoti tete ndivo vainditi
nyarara usapindira dai zvisizvo Mai
Josh ndavapeta peta.

Hakuna zuva risingasvike day


remaDNA takaenda kumba Mr Gwindiri
maresult aya akauya naDr Kuda
vakapa Mr Gwindiri.Vakatanga
kuverenga ivo ndikaona
vakusekerera.Vakazoverenga
zvatainzwa tese ndakashamisika
kunzwa maresult achitaura kuti Mr
Gwindiri havasi baba vangu......

*Maresult echokwadi here ayo*


*Ko Mai Lenon vakatorambwa
nemurume wavo here*

*Pacify aichemei chii chakaitika


kwaari*

*Zvekutangidzisa kuripa ngozi


zvichatangidziswa here*

*Pacify achazowanikwawo here or


achagara hupenyu hwake hwese ari
mukadzi wengozi*
Nezvimwe zvakawanda ma answer
tichamaona kumachapters ari
kutevera.Tosangana kusub group.

*Pacify from 25 to be onsale*

*Ecocash payments*

130rtgs
0785413183
Zita rinobuda L.Mazino

*Airtime payments*

150rtgs
Econet airtym

0785413183

Vari SA 15 rand airtime Cell C

+27622725562
*Kana waisa mari yako isa proof yako
yescreenshot panumberi idzi*

+263774206587

#PDF CREATED BY LORITY ARTS#

You might also like