You are on page 1of 998

MOYO_WANGU

(My heart)

Written by King Lee


(LeeMarzy)
+263774206587

Edited by Memo

Chapter 1

Larry

Everyone changes when they meet other


people better than you.Ndakazviona kuti
ichokwadi mushure mekunga ndarambwa
naDeviya.Ndakazama kunyengerera asi
ndakatoona ndaipedza nguva munhu
haachadi nezvangu.
"Larry ndaifunga uchachinja asi ndakatoona
hapana kwatiri kuenda.Hausi kutokwanisa
kuita maduties ako"

"Babe pandokanganisa unotaura


ndogadzirisa inga ndakakuudza kuti ndiwe
musikana wangu wekutanga handisati
ndambopinda murudo"

"Larry kangani ndichikuudza kuti chinja


ndoda mkomana ari active ndosaka ndati
hausi kugona kuita maduties anoitwa
nevakomana"

"Maduties api iwayo" ndakabvunza.

"Hausati wambondirukisa musoro ndotoita


semunhu asina mkomana kana airtime
haundipe ndini ndotokupa.Chako
kunditengera mafreezit unoti handinwiwo
madrink here" akadaro Deviya
achitenderedza maziso kunga rwaivhi.

Mashoko aya ndanga ndisina kumatarisira


kubva kwaari.Hakuna chinhu chorwadza
kushoorwa nemusikana wako.Iye akaudza
vasikana kuti vakomana ndivo vanofana
kupa mababe airtime akanganisa.

"Pandakakupfimba wakandibvuma uchiziva


ndiri mwana wechikoro.Saka mari yekukuitira
zvese ndoiwana kupi problem yako unoda
kundi compare nemkomana waRuvimbo"

"Zvawakutaura hazvina kana basa zvangu


newe zvapera thanks nekunditambisira
nguva"
Achipedza kutaura mashoko anorwadza
akatanga kufamba.Ndakasara ndakamira
ndichidzamisa pfungwa kuti saka Deviya
atondiramba zveshuwa.Eight months
dzatakadanana dzoendera
mahara.Ndakambofunga kuti zvimwe
afurirwa naRuvimbo sezvo ndaisapindirana
naye.Ndakasvika pamba nekupinda
mugumbezi masikati machena ndakashaya
simba rekubvisa bhutsu.Rita anova sisi
vangu akapinda ndakazongoona ava kuseka
akagara pasi.

"Larry unondinakidzirei"

"Buda muno ukudei"


"Kubva warara nebhutsu here hure rako
rakudhamanisa ka ndakambokuudza ukati
ndine jealous newe"

"Rita handidi zvemashoko newe"

"You are my brother hapana pandokusiya


uchirasika.Ndaona Deviya akamira naDesire
kuchibhorani but mamiriro acho kuita
sevanodanana"

"What"
"Ndiri kukuudza hona mapikicha andavatora
aya"

Ndakaona mapictures acho vakamira


pamota yaDesire.Ndakapotsa ndabudisa
misodzi.Ndakaudza Rita zvekusiyana
kwangu naye.

"Musikana uyu ndaimuda ava kundirwadzisa


kudai anga aita move on nguvai"

"Ndosaka paya ndaikuti ihure waisazviona"

"Moyo wangu warwadziwa nekuti wanga


wakaperera paari shuwa kundipa heartbreak"

"Larry a heartbreak is a blessing from


God.It's his way of telling that he saved you
from the wrong one"

Zuva iri handina kana kudya.Ndakatanga


kufunga madays aitambosvibirwa tiri kurwizi
naDeviya aiti ava kutonorwa ndaimupa juzi
rangu.Ndaitonhorwa kuti iye adziirwe nhasi
uno ava kundiona semunhu asina
basa.Hameno ndakazobatwa nehope nguvai
ndakazoita zvekumutswa naRita.

"Muka iwe mhani remember une exam


makuseni" akadaro Rita.Madays aya ndanga
ndakunyora book 4 yangu.

"Oooh" ndakashama n'ai ndichitarisa time


pafoni.

Panga pasara 25mins kuti Exam


ritange.Panga pasina kana time yekugeza
apa.Ndakangotora trouse rangu nekupfeka
bhutsu ndini uyo speed
kuchikoro.Ndakazosvika ndadikitira vanhu
vanga vava kupihwa
mapapers.Pandakangopinda vanhu vakabva
vatanga kuseka.Handina kuzviisa mumusoro
ndakanogara padesk pangu.
Kuvhura bepa kudai kuona zvinhu
zvinyowani kwandiri.Ndakambofunga kuti
zvimwe vandipa bepa risiro.Ndakatarisa
vanhu ndikaona vanga vava
kutonyora.Ndakazongonyorawo zviya
zvekunzi ndanyora asi kutaura chokwadi
apana zvandaiziva.Tapedza ndakadaidzwa
nema invigilator vakamira neni paside.

"Ko zviii zvawakapfeka izvi"

Ndakatarisa ndikaona ndakapfeka bhutsu


dzakasiyana.Apa trouse ranga rakabvaruka
shure yese zvekuti dai ndisina short mukati
kanduwe kaiwonekwa.Trouse iri
ndairishandisa pakuvirikidza ndakanyara
kushaya chekutaura.

"Next time ukauya wakapfeka izvi


hatikubvumidze kupinda kunyora.Munhu uya
wakapfeka complete uniform"

Ndakaenda kumba naWesley anova


shamwari yangu achindiseka.Vaifunga
ndazviita nekuda.Pamberi pedu pakapfuura
mota yaimhanya takasara takafushirwa
nehuruva.Takazoona mota yacho yamira
pamberi mukaburuka Deviya akaita kuchena
apa anga akarukwa zvekuti runako rwake
rwese rwanga rwakunyatsa kuoneka.
"Uri kuona zvandaitaura Larry.My new
boyfriend ari kunditiira zvese zvawakatadza
kundiitira I hope wadzidza something apa"
said Deviya.

"Haa iwe usatinyaudza mhani wakaramba


Larry chii chaukuda kwaari get away mhani"
said Wesley.

"Ndiri kukuudzai hakuna musikana anoda


vakomana marombe mukasashanda
nesimba kuti mutengerewo vasikana venyu
zvavanoda munofa muri marombe" said
Deviya akanditarisa.

"Manje ini ndokumamisa wanzwa" said


Wesley achienda pana Deviya ndakamubata.

Ndidzo time dzakabuda Desire mumota


achiuya kuside ratanga tiri.

"Vapfana handidi kuona anojairira musikana


wangu.Muzouya kumba kwangu kumaricho
muitewo mari ndokupai mari iri nani yekuti
mutengewo hembe dziri nani kwete izvi" said
Desire achionererwa zvake.

Mashoko aya akandibhowa ndakamuhedha


pamuromo akazviruma akatanga kubuda
ropa.Deviya akada kupopota akapihwa
umwe mucheka wembama
naWesley.Takabva tavasiya vakamira hasha
dzanga ndanadzo panguva iyi ndaigona
kuuraya munhu.

Zvaiva pachena ndakarambirwa nyaya


yekushaya mari.Deviya ndakambomuudza
kuti pandopedza kunyora ndombofana
kutsvaga basa ndakamirira maresult asi
haana kuzvinzwa.Desire family yavo vagara
vakabudurira.Muvillage medu ndivo vaiva
vanhu vacho.Kungoti pakafa baba vake
zvinhu zvese zvakasiirwa Desire
nehanzvadzi yake.Chigayo chaiva muvillage
medu chaiva chavo.Ndakatoona kuti handina
competition naye asi akada kundisaiza
ndomumamisa.
Time dzandakasvika kumba Rita aiva busy
kupepeta chibage aida kuenda
kuchigayo.Akangonditarisa kubva kutsoka
kusvika kumusoro akazungudza musoro.

"Don't tell me kuti waenda kuchikoro


wakadai"

"Ndizvo zvatoitika uyo wamunoti Desire


mubatei asandijairira"

"Larry uri kurwira nyaya Deviya here.Handidi


zvekunyadziswa hangu ko ukasiyana nazvo
unobvei ko vana mhamha vakadzoka
vachinzwa nyaya iyi unoti panobuda
chakanaka moms unovaziva mushe here"
"Hapana zvandaita ini but Desire haana
mukanwa"

"Ugadzire muroom mako muite smart


ndakuenda kuchigayo vana muchembere
vanogona kusvika nhasi"

Rita akabva atoenda ndakasara ndichigara


zvangu padoor ndakabata shaya.Vana
muchembere vakasvika ndisati ndangochinja
ndakagara padoor.

"Ko kupfeka bhutsu dzakasiyana chii"


vakabvunza mhamha

"Mwana uyu achapenga takatarisa iro trouse


rakabvaruka apa kuunyana kunga rabudiswa
mukanwa memombe" said baba vangu.

"Iwe Larry enda unochinja udzoke pano" said


mhamha neinzwi rine ukasha mukati.

Nyaya yanga yatoipa sekutamba.Ndaiti


vachadzorawo moyo semunhu ari kubva
kuchurch eish vaitoita kunga vari kubva
kubhawa.Ndakasimuka ndikanochinja
ndakadzoka Rita atovamo.
"Chindiudza chii chaita upfeke kunga
unopenga.Rita ndiwe mukuru wasiya umwe
achidai sei"

Rita akanditarisa neziso rekuti pedza nyaya


dzako wega.Ndaishaya kuti ndoti chiii apa
ndanga ndakutya Rita anogona kudhomoka
akataura ndaenda nehembe idzo kuchikoro.

"Asi ndataura chindebele here zvamusina


kundipindura"

"Sorry mhamha kungoti hembe idzo ndaida


kudzipisa"
"Saka waida kudzipisa wakadzipfeka
here"said mhamha.

"Mai Rita hausi wakuzvinyanya here"

Mhamha vakabva vanyarara zvavo.Mudhara


vakachinja nyaya tanga
takutofara.Ndakazobuda zuva rava kuvira
ndikananga kugarden
kunodiridza.Ndaitofunga plan yekunoshanda
kana ndapedza kunyora.Ndanga ndasarirwa
nezama rimwe chete.Ndakatanga
kumbofunga Deviya eish takarambana tisina
kana kumborara tese.
"Heya uri kuno"

"Yes ndaimbodiridza zvangu"

Rita akatemha muriwo tikabva tadzoka tese


kumba.Takasvika pamba paine mota
ndakatadza kuziva ndeyani iri kutsvagei
pamba.Patakasvika pagate ndakaona
mhamha vachipopotadzana namai Desire.

"Mai imi hamuuye muchipopota pamba


pangu manzwa here.Kana mune nyaya
yenyu taurai mune zvakanaka kwete kuda
kundiitira hasha" said mhamha.

Mai Desire pavakandiona vakauya kwandiri


vachiita kunga vakuda kundirova.Ndakabva
ndamira vakamira pamberi pangu.

"Wakuvadza mwana wangu unoziva unoripa


here"

"Manzwa zvaitika first here" ndakadaro.

"Ndiri kunotaura..."havana kupedza kutaura


vakatwa namai vangu.
"Shuwa mai Desire haukure dzimwe nyaya
hadzipindirwe.Ava vakomana varwa obvious
panorwa vanhu pane anokurirwa ko iwewe
ukukwana papi"

"Iwe Mai Kamutepu nyarara hako wagara


unorwadziwa neni nyaya iyi ndiri kuisvitsa
kwasabhuku"

"Handina basa nazvo chibva pamba pangu


izvozvi" said mhamha.

Mai Dee vakapinda mumota vakarova


pasi.Mhamha vakatanga kupopota.
"Ndinoziva uri munhu akanyarara asingadi
zvenoise ko chiii chakaitika"

Ndakaruka nyaya yekunyepa nekuti dai


ndakataura chokwadi zvaizomakisa kuti
tairwira musikana.Mudhara vakasvika
vakabata paperbag.Vakaudzwa zvaitika
vakangoseka havana zvavakataura.Nguva
yekurara yakakwana vanhu vakaenda
kunorara.Ndakasara ndakagara ndichitaura
naWesley paApp.Ndakuenda kunorara
ndakanzwa kuchema muroom
maRita.Ndakapinda ndikaona anga akabata
picture raRanisha aiva last born.Ranisha
akafa zvisina kunzwisisika zvinongonzi
akaenda kuhuni neshamwari akadyiwa
nezvikara asi shamwari yake yakakwanisa
kutiza ndiye akatiudza zvese.Takazongoona
mapiece ehembe dzake.Mabhonzo ake
hatina kumaona.

"I miss my lil sister dzava 2 years atisiya it's


my fault ndakamusiya achienda kuhuni ega"

"Sis zvakatopera izvo


ngatingozvigamuchita,iwewe ukaramba
uchichema mhamha vanozoita sei"

Ndakabva ndabuda kunorara.Makuseni


takamukira kuenda kuchurch taipinda church
yemadzibaba iye.Zvinoitwa zvakaitwa nguva
yekunamatirwa yakasvika.

"Madzibaba vechidiki avo ndokumbirawo


musimuke" vakadaro madzibaba vainamatira
vanhu.

Ndakaramba ndakagara ndakafunga kuti


havasi kutaura ini.

"Madzibaba Larry simukai" akadzokorodza.

Ndakabva ndasimuka vanhu vese vakabva


vanditarisa sezvinonzi ndaiva ndatanga
kupinda church zuva iri.Hana yakatanga
kurova ndaitya Madzibaba vakuda
kundifumura kuti ndakatorerwa musikana.

"Madzibaba ndaona mune ramangwana


rakajeka.Ndaona kumberi uko mava
kufamba nemota yenyu mazvivakira imba
mutaundi ndaona mabudirira"

Pandakanzwa izvi moyo wangu


wakafara,ndakatarisa mai vangu ndikaona
vari kunyemwerera.Ndakaudzwa
zvandaifana kuita namadzibaba.Takazobva
pachurch apa ndichifara nekuti madzibaba
ava vanowanza kuporofita zvinoitika.

"Une bright future my son" said mhamha


tichifamba kuenda kumba.

Takasvika kumba paine kamwe


kamukomana kakabva kati taizodiwa
kwasabhuku mazuva anotevera.Mai Dee
vanga vatonotaura nyaya iya kwaSabhuku.

"Okay tazvinzwa" said mhamha.

Manheru ndaida kuenda kunoverenga


kumba kwana Wesley asi ndakazobatwa
nehope.Makuseni ndakamuka ndichinzwa
kuti kushop kwana Desire kwakabiwa zvinhu
zvese.Nyaya yekubiwa kwemushop yaMai
Desire yakataudza muraini.Nyaya yakasvika
kwasabhuku ivo Mai Dee takangonzwa kuti
vakataura vanhu vavari kufungira.Zuva
rekutongwa kwenyaya yangu rakasvika
ngapawandiwe padare pacho....

_Drop your comments_

*watch out for chapter 2*


*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/CEokXXSS2FkAly
Ktc2s0dI

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 2*

Nyaya yedu yakapinda mudariro ikatanga


kutongwa.Ndaisada kutaura chokwadi asi
ndaiva ndisina option ndakataura chokwadi
nezvekudanana kwangu naDeviya.Mhamha
vakanditarisa nerimwe ziso risina kumira
mushe.

"Saka iwewe Larry wakaona kuti kurova


Desire ndiko kupedza nyaya here.Ko dai
wakamuuraya waiita sei" vakadaro sabhuku.

"Mashoko akataura Desire ndiwo


akandirwadza ndakakanganisa
pakumuhedha ndobvuma mhosva
yangu.But idzi inyaya dzeboys dzaisafana
kusvika kuvabereki" ndakadaro.

"Larry handioni mhosva yake uyu wamunoti


Desire haagoni kutaura nevamwe.Mune
shuwa kuunganidza vanhu vakuru kanyaya
kasina nebasa aka" vakadaro vaGata vanova
sekuru vaWesley.

"Munodaro nekuti haasi mwana wenyu


akanzwaro.Mazino emwana wangu ari
kutorwadza nezuro akatadza kudya"said Mai
Dee.

"Ko imi muri lawyer rake here.Siyai ataure


ega" said VaGata.

"Nyararai mese Deviya simuka utaure


zvakaitika" vakadaro Sabhuku.
"Pamusoroi vakuru vandipa mukana
wekutaura.Ini naDesire tinodanana sa..."
haana kupedza kutaura akatwa naVaGata.

"Iwe hatisi kuda kunzwa nhoroondo


dzekudanana kwenyu ingotaura zvakaitika
chete"

"Tiri mumota takaona Larry naWesley


vachifamba.Desire akamira achida
kuvakwidza kunovasiya kumba kwavo asi
Larry achingondiona akatanga
kundipopotera.Zvakandibhowa ndakatanga
kumutukawo Wesley akabva apindirawo
akandirova ndipo pakapindira Desire achida
kuti yananisa asi akabva atorohwa naLarry
vachibva vatiza"

"Iwe hure enda unopengera kure taura


zvakaitika wanzwa"said Wesley asimuka
ndikabva ndamubata.

"Mazvinzwa ka kuti Larry naWesley ndivo


vari wrong apa ndivo masuspect angu
pakubiwa kweshop yangu" said Mai Desire.

"Leave my son alone iwe


dhiyabhurosi.Suspect kudii kwacho day
rakabiwa shop yako aiva atori kumba.Kana
uchida hondo neni huya kwandiri kwete
kutenderera wanzwa here" said mhamha
vachipopotera mai Dee.
"Go to hell nxaa ndini ndakati ubare mbavha
here"

Pakaita noise padare apa.Rita ndiye


akazobata mhamha akagara navo
pasi.Mhamha vakabva vanyarara asi Mai
Dee vakasara vachipopota.

Sabhuku vakataura mashoko avo asi


vairatidza kakushoora mai vangu
neni.Ndakatoziva kuti vanenge vakapihwa
mari naMai Desire chete.

"Nyaya yekubiwa kweshop chimboisiyai kana


musina hombowo hwekuti Wesley naLarry
vaivapo pakubiwa kweshop yenyu"said
vaGata

Nyaya yakazotongwa asi ini naWesley tisu


takanzi tine mhosva kurova Desire
naDeviya.Takapihwa mitongo yedu
yakafanana.Takasvika kumba mhamha
vakatsamwa.Mudhara vanga vari zii
vaisanyanya kutaurisa samhamha.

"Wava kuda kuroora here tigare taziva"


vakabvunza mhamha.

"Aiwa"
"Usati aiwa hanty mairwira musikana
here.Pandakakubvunza wakandinyepera
kundiita benzi inini"

Ndakaramba ndakanyarara ndakatoona


nekutsamwa kwakaita mhamha ndaigona
kuzopihwa mbama.

"Mai Rita remember uyu mkomana akura


atosvika zera rekuti apfimbewo unoda akure
akapusa here" said dad.

"Muri kusapota zvakaita mwana here baba


Rita"
"Handisi kusapota asi kuti ndiri kukuudza
ndaona hausi kutozviziva.Handina
kutozvifarira zvawaita uko unonyadzisa ini ko
ukanyarara unobvei"

Mhamha vakabva vangosimuka vakaenda


kunogara kuseri kwemba.Mudhara
vakateverawo ikoko ameno
vakanopedzerana kuti chii.Maleave days
amudhara akapera vakadzoka kubasa
kwavo.Vaishanda kurimwe purazi vari
supervisor.

Mhamha vakamuka vakaneta neta


ndakafunga zvimwe vakatsamwira nyaya
yangu.

"Mhamha chii chiri kunetsa"

"Nezuro ndakarota Ranisha achichema


kuhope kwangu.Unoziva ifirst time yangu
kumurota kubva zvashaya"

"Hiii mhamha I miss her she was my


everything.Akafa asati azadzisa zvishuwo
zvake.May her soul rest in peace" said Rita.

"Yaaa tese tamusuwa inguva yaMwari yanga


yakwana.Tobatana ndakuenda kunonyora
last exam rangu"
Ndakapfuura nepamba paWesley ndikasvika
atopedza.Takazosvika kuchikoro Wesley
achingotaura nyaya dzekunyomba Deviya
naDesire.Takazopedza kunyora zama
redu.Takabvumirana kuronga kaparty
pachikoro kekuoneka.Takasvitsa nyaya
yacho kwahead vakada kumboramba asi
vakazobvuma.Takaudzana day rataifana
kuzoita party.Takaudzana mari inofana
kubviswa nemunhu wega wega hapana
akapikisa.

"Haaa takufana kutsvaga graft takamirira


maresult" akadaro Wesley.

"Ndizvo zviri mupfungwa mangu chero basa


ramuka tofana kuita"

"Haaa kwete chero pane mamwe asingaite"

"Akaita seapi"

"Iwe hona haasi Deviya naRuvimbo here


avo" said Wesley.

"Ndivo hey dressing yaRuvimbo haiite


munhu akati kupfeka mamini skirt ndiko
kuchena akakanganisa shuwa" ndakadaro
ndichiseka.
NaRuvimbo hatina kubvira
tapindirana.Ndinotofungira kuti ane
zvakaitawo pakurambwa kwangu naDeviya.

"Hey Ruvimbo kupfeka here uku" akadaro


Wesley

"Makakurira kuno kumusha apana


zvamungaziva"

"Tangai matarisa makumbo nezvidya zvenyu


musati mapfeka mamini skirt aya.Haikona
kutiratidza mipfura yakakumurwa makwati
ekurapa ngubhani" ndakadaro.

Wesley akaseka zvakabhowa vasikana


ava.Vakaenderera mberi nerwendo
rwavo.Mhamha vakabva vaendawo kubasa
kwadaddy.Ndakafara nekuti mhamha
vaibhaiza nguva refu.Kubva madays aya
ndanga ndisingachaendi kuchurch Rita
aienda ega.

"Ko iwewe kava ka2 usingaendi kuchurch


chii"

"Ndiri busy"

"Busy yei kuti unoenda kubasa here"

"Akati munhu anoenda kubasa ndiye ega


anoita busy ndiani"
"Wakaudzwa kuti une ramangwana rakajeka
iwewe manje ukatanga kurovha satan
achakubatira destiny yako"

Ndakasiyana naye ndikaenda kwana


Wesley.Moyo wangu waitoda revenge kuna
Desire chete.Nekuti everyone anga
akungondiseka kuti ndakatorerwa
musikana.Mataurirwo anga akuitwa nyaya
yacho ndiwo aindibhowa.

"Wesley uri kuona everyone ari


kungondiseka nekundishoora"
"Ukasiyana nazvo apana chaunobva Larry"

"Ndikuda kurova revenge shaa you know


Deviya ndaimuda sei"

"Ndinozviziva kuti Deviya uchiri kumuda but


tarisa zvakakuita akakunyadzisa siyana naye
haasiye ega musikana pasi
pano.Ukangodzokerana naDeviya
handifunge tozopindirana futi unenge
wazvidzikisira"

"Heya ndiko kwava nenyaya hauna


kunzwisisa zvandataura ndati ndoda kuita
revenge chete.Deviya handichamudi"
"Kuita revenge isign yekuti uchiri
kumuda.Imbori revenge yei"

"Deviya ndaimuda akandirwadzisa


zvikatopera apa ndikuda kungodzidzisa
Desire namai vake lesson chete.Ummm
ndoita revenge yei"

"Larry handifunge zvoita izvozvo"

"Moyo wangu uri kuda revenge hazvingoperi


zvakadai ukanyarara vanhu vanokuita
sewakapusa"
Wesley haana kufarira
zvandakataura.Ndakasiyana naye ndofana
kuita zvotaura moyo wangu kwete
munhu.Day reparty rakasvika vanhu
vakafara ini pfungwa ndaifunga ndoita
revenge yei.Haina kumbonakidza
sezvandaifungira.Ndakaenda kumba
manheru ndikasvika Rita ari pasi achibuda
furo mukanwa...

_drop your comments_


Watch out for chapter 3
https://chat.whatsapp.com/Dp9CxZ4KIo8KlO
6kzyYaBM

*MOYO WANGU*
_my heart_

_Like our FB page_


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587
_Edited by Memo_

*Chapter 3*

*Larry*

Ndakangosticker ndakamira ndichishaya kuti


ndobatsira sei Rita.Panguva iyi pfungwa
dzangu dzaiita kunga dzambomira
kushanda.Ndakafamba kuenda pana Rita
ndikaona ava kugwinha gwinha.Ndakabuda
ndiri mufull speed kuenda panext door
ndikasvika pangori netuvana pasina vanhu
vakuru.Munhu akauya mupfungwa dzangu
ndiMadzibaba Pita.Ndakapinda mumba
ndikatakura Rita ndikafamba ndakamubata
mumaoko angu.Kumba kwamadzibaba
kwanga kusiri kure zvakanyanya.

Ndiri kufamba ndakabva ndaona mota


yekumba kwana Desire ichipfuura
yakanomirira pamberi.Mai Dee
vakangobudisa musoro pawindow.

"Please help me ndikuda kusvika


kwaMadzibaba Pita"
"Madzibaba wei mwana anofa uyu mira
ndikumhanyise kuchipatara ndiko
kwaunokwanisa kubatsirwa"

"No ndisiyei pamadzibaba moyo wangu


ndizvo zvauri kundiudza"

"But ndi....."

"Kana muchida kundibatsira ndibatsirei


kwete kuwanza nyaya please"
Ndakabva ndapinda mumota yaitova first
time yangu kukwira mota yamai ava.Mota
yamai ava yaisakwidzwa vanhu
zvekumhanya.Vakandisiya pamba
pamadzibaba Pita vachibva vapfuurira
nerwendo rwavo.Ndakasvika madzibaba
varipo nemudzimai wavo vakamhanya
kuradzika Rita parupasa.Vakabva vabuda
ameno kwavakaenda tikasara namudzimai
wavo.Pasina time vakadzoka vapfeka
magemenzi avo.Vakangobata pahuma
paRita vakamudira mvura akatanga
kugwinha zvine simba achibva angoti ziii
akadaro.

Chakandinetsa ndechekuti madzibaba Pita


havana zvakataura vakaramba
vakanyarara.Pakamboita runyararo pasina
aitaura neumwe munhu.

"Madzibaba Larry maita zvakanaka


makurumidza nekuti dai manonoka tingadai
takutaura zvimwe" said Madzibaba Pita
ndiwo mashoko avakatanga kutaura.

Rita akazotanga kukosora achivhura maziso


zvishoma nezvishoma.Ndakatanga
kunyemwerera ndakatarisa sis vangu
vachimuka.Mukadzi wamadzibaba
akamhanya kubikira Rita porridge.Akaita
zvekumupakisa airatidza kuti haana simba.

"Satan ari pabasa shuwa kunyangira vana


vasina nemhaka"said Mai Faith vanova
mukadzi wamadzibaba.

Madzibaba vakabuda vachiti vakuenda


kubasa kwavo.Rita akazoita bhoo asi ainzwa
kupera simba.Mai Faith vakatiperekedza
kumba vakasiya vanamata.

"Don't tell mhamha zvaitika handidi vaite


worried"

"Rita vagara vanofana kuziva zvaitika kuti


vakunamatire"

Days passed Rita anga ava bhoo zvake.Mai


Dee vanga vasingachabatike taingonzwa kuti
vakaenda kunze kwenyika.Desire ndiye
aingoswera achingotenderera muvillage
nemota yake.Pfungwa yerevenge yakadzoka
futi mumoyo mangu.Ndaida kuita
zvinorwadza Desire namai vake.Family yana
Desire ndakaona yaitijairira nekuti vane mari
manje ndaida kuvaratidza kuti havana
kungwara.

Ndakafunga kudanana nesister yaDesire


ndiye wandaida kurwadzisa zvekuti mai
Desire naDesire vacharwadziwa.Hanzvadzi
yaDee munhu akanyarara uye asingafambe
fambe.Nguva zhinji anenge ari kutown kuno
kumusha anongouya maholidays
chete.Nokuthula anga asina kumbonaka
zvekudaro asi mari ndiyo inoita
aonekerewo.Chandingati chakanaka paari
ibody chete asi face marara chaiwo.

"Mudhara muri kufungei ndasvika kudhara


pano" said Wesley.Ndakamutsanangurira
zvandaifunga.

"Nokuthula siyana naye musikana uya haana


chitema nemunhu kana wakuda kushandisa
iye kuita revenge wava kubhaiza"

"Handina basa nazvo unoti zvinoita mai vake


zvekutuka mai vangu ndozvifarira here"

"Haufani kupindira nyaya idzodzo siya


vapedzerane"
"Handisiyane nazvo Wesley ndiri kutevedza
zviri kundiudza moyo wangu"

"Pamwe pacho moyo hausi wekutedzeera


unokuitisa zvinhu zvaunozochema nazvo
mangwana"

"Saka ndotedzera zvotaura pfungwa here"

"Ndanyarara Larry ndaikutsiurawo semunhu


wandotamba naye" said Wesley.

Takaenda kugowth point


kwatakanoswera.Takazonzwa noise yaiva
kuground kwanga kwakaungana
vanhu.Ndakashaya kuti chii chaitora
nzvimbo.Vanhu vazhinji vakamhanya kuenda
ikoko.Isu vekuda zvinhu hatingasariwo
pakadai.Takasvika asi hapana chataiwona
nekuda kwekuwanda kwevanhu.

Ndakazongoona mota yekwana Desire


chete.Ndakafamba kuenda kumberi
ndikazoona hezvo Desire airohwa naBaba
vaRuvimbo.Ndakashaya kuti chii chainyatsa
kutora nzvimbo.Ndinoziva Ruvimbo ari
shamwari yaDeviya asi vabatwa vakarara
vese kani.

"Mupfana iwewe wakutozviona sebhuru


unofamba uchirara nevakadzi vevanhu nhai
nhasi ndoda kukudzidzisa lesson rausingafi
wakakanganwa" said Baba Ruvimbo.

Maziso angu akatanga kufamba kutsvaga


Ruvimbo naDeviya asi andina
kuvaona.Wandakwanisa kuona ndiMai
Ruvimbo vanga vari mumota maDesire.

"Iwe Mai Ruvimbo buda mumota umu ndoda


muite zvamunosiita naben 10 wako uyu
pasina izvozvo 1 wenyu anorara ava kunyika
dzimu"said baba Ruvimbo.

"Ngarohwe mupfana uyo" chakadaidzira


chaunga chevanhu.
Mai Ruvimbo vakabuda mumota vakarohwa
naBaba Ruvimbo.

"Itai zvamunosiita ndakatarisa"

Hameno sekuru Gata vakabva nepi ndivo


vakazodzora baba Ruvimbo.

"Nyaya iyi tichaisvitsa kwaSabhuku" said


Sekuru Gata.

"Nyaya dzangu ndopedza ndega kupedza


nguva kuenda kuna Sabhuku vagara
vachatengwa naDesire"said Baba Ruvimbo.
Munhu wandaida aone drama iri
ndiDeviya.Mai Ruvimbo vakanyadzisa
vakatukwa nevanhu vazhinji.Baba Ruvimbo
vakati mukadzi havachatodi.

"Ndoda kusvika mese nemwana wako


Ruvimbo marova pasi"

"Nyaya haitongwi ichinzwaro mwanangu


tinofana kunzwa maside ese" said Sekuru
Gata.

"side rake handide kurinzwa munhu


wandakabvisira akuita basa rekudanana
nevana vadiki kuratidza kundidzikisira"

Sekuru Gata vakatora Baba Ruvimbo ameno


kwavakaenda.Ndakabhoekana ndaida
Desire anyatse kurohwa.Takazoenda kumba
kwatosviba asi nyaya yaMai Ruvimbo ndiyo
yaingotaurwa muvillage umu.Nyaya
yakasvika munzeve dzaSabhuku.Sabhuku
hazvina kuvafadza apa vaifana kutonga zviri
fair pasina kutora side nekuti vakasadaro
vaizovengwa nevanhu.

Zuva rekutongwa kwenyaya yana Desire


rakasvika.Munhu wese anga avapo kusiya
kwaMai Ruvimbo.Ruvimbo ndiye akazouya
achimhanya achichema achiti mai vake
vangodonha vakuuya kuno, akudawo
rubatsiro kuvaendesa kuchipatara.Desire
ndiye aikwanisa kuvabatsira nekuti ndiye
aiva nemota asi akaramba.

Moyo wangu wakarwadza ndakabvunza


kwavadonhera.Ndakamhanya kwavadonhera
ndikavaona asi pane nyoka yaienda
pavari.Handina kuona kuti yakatemwa
nedombo naWesley nguvai.Ndakazoipedzisa
dai takanonoka vaigona kurumwa.

Ndakatakura Mai Ruvimbo ndikamhanya


navo kumba kwamadzibaba kuya.

"Larry ndekupi kwatakuenda" akabvunza


Ruvimbo achichema.
"Ruvimbo nyarara chete"

Takasvika pamba pamadzibaba pasina


munhu.Ndakatanga kudikitira nguva
diki.Ndakaenda navo kune vamwe
madzibaba vataipinda navo.Ndakashamisika
kuona madzibaba Pita vari ikoko.Mai
Ruvimbo vakanamatirwa vakamuka ipapo
vaine confusion.

"Sei ndiri kuno chii chikuitika pano"


vakabvunza Mai Ruvimbo

"Mhamha madonha tichienda kudare dai


pasina Larry akubatsirai mava
chando.Munhu wandaitarisira pasi munhu
wandaiona seasina basa ndiye akubatsirai
Larry Kamutepu" said Ruvimbo maziso ake
akajenga misodzi.

"Mhamha auraya nyoka yaida kukurumai futi"


kakadaro kaRutendo kaiva kadiki kacho.

Mai Ruvimbo vakanzi vaende kumba


vanozorora zvavo.Vakanditenda kasingaperi
asi ndakaona Madzibaba Pita vakafara.

"Madzibaba Larry maita zvakanaka ndafara


zvisingaite Mwari vachakurangirira asi siya
zvauri kufunga kuda kuita kumhuri yana
Desire hazvishande.Mwari ndivo
vacharevenger vega kwete iwewe" said
Madzibaba Pita.Ndakashamisika kuti vaziva
sei zvandaironga.Madzibaba ava
ndakatanga kuvatya.Ndakaona Wesley ava
kunyemwerera.

Takanzwa noise yechaunga yakananga


kumba kwaMai Ruvimbo.Vanhu vaifunga kuti
Mai Ruvimbo vanyepera kufenda kuda kutiza
nyaya yavo.Vanhu vaiti ngavadzingwe
muvillage vanogona kuzotiparadzira dzimba
dzedu.

Vakatorwa vakaendwa navo kudaro


zveforce.Hapana akazombotarisa kuti
vaisanzwa bhoo.Ndakavatarisa ndikaona
vachiyeredza misodzi moyo wangu
wakarwadza.Hongu vakakanganisa zvavo
asi vanhu vaifana kutanga vanzwa side
ravo.Ari saDesire handimuchenesi anogona
ane mushonga chete....

*Drop your comments*

Watch out for chapter 4


*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/JKpG9bUR1uALj
HuzYKTvTm
*_Like our FB page_*
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 4*
*Larry*

"Mai Ruvimbo munonyadzisa hamukodzeri


kugara muno ndimi vanhu vanokenzera
mvura isayana.Munozvibvuma here kuti
munodanana nemwana uyu" vakataura
sabhuku.

"Handidanane naye"

"Saka vanhu vese ava vanopenga here vari


kuti munodanana"

"Handina kumboti vanopenga akandiona


wacho ngataure uye auye nehumbowo
hunoratidza kuti todanana then ini
ndobudisawo zvinoratidza kuti handidanane
naye" vakadaro Mai Ruvimbo vakarova
serious.

"Hamuna kuwanikidzwa muine mwana uyu


here"

"Ndinozviziva muchatora side raDesire asi


mirai ndikuudzei zvakaitika.Mwana uyu
akabvira kare achindipfimba ndakatoudza
mai vake vamutsiure asi
vakangonyarara.Handina kubvira
ndamubvuma handiite zvinhu zvakapusa
kudaro.Asi nyaya yakak...." havana kupedza
kutaura Desire avamisa.
"Mai imi munyare ndakakupfimbai
kupi.Ndopenga here kupfimba mbuya iyi
yese.Hamusi makauya kumba muchida
kundi seducer here"

"Usanyepera mai vangu wanzwa zvakaitika


zvese ndiri kuzviziva machats ako
awaipfimba mai vangu tinawo ari apa"said
Ruvimbo.

Ruvimbo akatambidza Sabhuku foni


yacho.Hameno vanogona kuverenga
here.Foni yakapihwa Ruvimbo akaverenga
vanhu vese vachinzwa.
"Ko mumota maDesire manga muchiitei kana
musingadanane"

"Ndakatoona kupinda mumota kupedzerana


naye kwaiva nani than panze.Tiri mumota
ndakamuudza ndava kunoudza Baba
Ruvimbo ndipo pakatanga kuda kundibata
bata dai pasina kuzosvika vanhu akandibata
chibharo apa madoor anga akiyiwa.Kungoti
vanhu vakafunga tiri kuita mutambo
wevakuru"

"Ndakambozvitaura kuti mwana uyu iproblem


muvillage muno mukati chii zviya" vakadaro
Sekuru Gata.
Sabhuku vakaramba vakanyarara vakatarisa
Desire anga ari zii.

"Desire pane zvaunopikisa here pane


zvataura mai ava"

"Ndezvekunyepa inga ndakuudzai wani"

"Uri kufana kuripa kuna Baba Ruvimbo


nekuda kwezvawakaita"

Nyaya yakazopera asi Deviya handina


kumbomuona apa.Ndofunga kunyara chete
dai akauya ndaida kumbomuseka.Mai
Ruvimbo naRuvimbo vakauya pandiri.

"Wakaita basa Larry dai ndine chekukupa


ndaikupa dai pasina iwe ndakarumwa
ndakafa"

"No mhamha tendai Mwari ndiye


akakuponesai"

Kubva patakaita padare takananga kurwizi


naWesley.
"Larry hameno unombofungawo
zvandofunga here"

"Kufungei nhai"

"Kudonha kwakaita Rita hakusi kwega kana


kwakaita futi Mai Ruvimbo pane zviri kuitika
muvillage muno"

"Ndakambozvifungawo kana kufa kwakaita


hanzvadzi yangu hakusi kwega"

"Ko ngatiende kuna Madzibaba Pita


vatiudze chii chikuitika"
"Panyaya yekufa kwaRanisha havana
zvavakataura ndofunga apana
zvavakaoneswa"ndakadaro.

"Pamwe mupenyu"

"Kana ari mupenyu aripi.Ngaipere nyaya iyi


inondirwadza"

"Tauya kuitei kuno ngatidzoke tinoona


Sekuru vangu"

"Vane plan here"

"Hameno handei tinotaura navo nyaya


dzebasa pamwe vanogona kutirongera"said
Wesley.

Takasvika pamba pana Wesley pasina


munhu.Takavamirira Sekuru vake kusvika
vauya tikavaudza nyaya yedu.

"Pane vamwe mai vari kuda kurimirwa


mumunda mavo"

Kurima kwaiva kudya kwangu gejo ndaibata


zvekuti.Takaenda kumba kwamai vacho
ndakashamisika kuona pari pamba pana
Deviya.Wesley achiona Deviya anotanga
kuseka.Ndakaramba ndakanyarara zvangu.
"Ko mai vako varipo here takanzwa kuti vari
kuda kurimirwa munda wavo"ndakabvunza.

"Vabva kubuda handei ndinokuratidzai


munda wacho"

Akatungamira isu tichitevera


kumashure.Hapana aitaura neumwe Wesley
ndiye aingoseka.

"Ko iwe uri kumbosekei nhai" akabvunza


Deviya

"Wakaruzirira iwe dai waiva kudare


wakanzwa nyaya yaitapira"

"Hoo ok"

Takaratidzwa munda wacho munhu


akagumbuka zvisingaite.

"Shaa usatitsamwira hatisu isu takati


udanane nehure" said Wesley.

"Usandijairira wanzwa handitambe newe"


kakadaro kaDeviya.

"Handitodiwo kutamba newe kuti ndopenga


here"

Mai Deviya vakabva vabudikirawo.Takataura


navo tikabvumirana pamari.Takamukira
kuseni tichirima munda wavo.Takazoupedza
taneta tikapihwa mari yedu.Takaparadzana
tichienda kumba.Ndakashamisika kuona
Ruvimbo ari pamba pedu achitaura naRita
vairatidza kupindirana

"Hesi Larry" said Ruvimbo.

"Ndiri bhoo"

"Larry itonditengerawo airtym" said Rita.


"Okay mira ndoita plan"

Ndakapinda mumba ndikatora mvura


yekugeza ndikabva ndageza.Ndakubuda
kuenda kumashops ndidzo nguva dzakabuda
Ruvimbo akati akuendawo kumba kwavo
takazongofamba tese.

"Ruvimbo vari sei mhamha"

"Vari bhoo zvavo"

"Uvamhorese"
Takabva tasangana naDeviya akabva auya
kumira pamberi paRuvimbo.

"Ibva pamberi pangu" said Ruvimbo.

"Ruvimbo uri nyoka benzi kahure kutodza


mai nxaaa"

"Hautuke mai vangu iwe kana uchida


kupedzerana neni usapinza zvamai vangu
mukati wambonzwa ndichitaurawo zvamai
vako here"
"Larry musikana uyu ndiye akandipa ma
advise ekuti ndikurambe kutaura chokwadi
ndichiri kukuda.Akandifurira kuti ndikurambe
kuti azodanana newe"said Deviya.

"Zvakatopera nguva yacho izvozvi ndava


kudanana naRuvimbo wacho" ndakanyepa
hangu ndaida kumuti arwadziwe
Deviya.Ruvimbo akanditarisa nerimwe ziso
rine kakushamisika mukati.

Deviya akatuka Ruvimbo asi akaramba


akanyarara.Mkomana waRuvimbo akabva
asvikawo akabva arambwa ipapo
ndakashaya chii chaitora nzvimbo.Ruvimbo
akabva atoenda kumba ndikasara ndakamira
naDeviya.

"She is a bitch plus ane edzi usati handina


kukuudza" said Deviya

Deviya ndakamusiya akamira


ega.Ndakanotenga zvandaida ndikadzoka
kumba.Mazuva akafamba Ruvimbo naRita
vanga vava kutamba vese.Ndaisava
neproblem nazvo izvi zvakakonzera ruvengo
kubva kuna Deviya.Zvaimurwadza Deviya
kuona Ruvimbo ari pamba pamba pedu.

Mhamha vakafona vachiti ndiuye kutora


zvinhu zvavakatanga.Ndakasvika nekuenda
kuchurch.Vamwe madzibaba vakandiporofita
futi the same thing zvandakamboporofitwa
namadzibaba Pita.Pandaiudzwa izvi
ndainzwa kufara ndaingoti dai nguva yacho
yasvika ndimbodadairawo vana Desire.

Ndakaita 3 days ndikadzoka kumba nezvinhu


zvanga zvatengwa.

"Mudhara pamakaenda vana vakasara


vachirwa"said Wesley.

"Vana vapi ivavo"

"Deviya naRuvimbo "


"Iyazve nenyaya yei"

"Deviya ava kunzwa jealous aiudza Ruvimbo


kuti handide kukuona pamba pana Larry."

"Deviya ndaimuda ndakatosviba moyo


ngasiyane neni"

"Saka wava kuda Ruvimbo here"

"Hapana wandoda izvozvi ndoda kumboita


zvekugadzira future yangu kuti zviri kutaurwa
nana madzibaba zvizadzikiswe"
"Ndokugona manje uku"

Maitiro aWesley aiita kunga anoda


Ruvimbo.Handina hangu kuda kumubvunza.

"Une chokwadi kuti Ruvimbo haumude"

"Wesley unoda ndikuudze kangani amana"

"Haa kungobvunzawo kakanaka kamwana


kaya" said Wesley.

"Asi unomuda here ndikuitire plan"


"Aiwa handina basa nako"

Ndakasiyana nazvo asi ndakatozviona kuti


aida musikana.Takasvika pamba pedu paina
Rita naRuvimbo.Wesley hameno kuti
kunyara here akabva aoneka.Maiguru vangu
vanova sis vamhamha vakafona pafoni
paRita vachida kutaura neni.

"Hey my son long time ko sei foni yako


ikuramba"

"Muri sei mhamha.Kafoni kachidhura


hakachengeti moto"

"Ndoda kuti mangwana uuye kuno


ndakuwanira basa pacompany
pandoshanda"

Zuva iri ndakatadza kudya chikafu


chemanheru nekufara.Asi ndairwadziwa
kupesana neshamwari yangu
Wesley.Ndakarongedza hembe dzangu
ndava kuendako kutaundi kuya.Makuseni
kuchiedza ndakaoneka kuna Wesley nasis
vangu pamwe chete naRuvimbo.
_drop your comments_

Watch out for chapter 5


*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/IF8dZoMaqWz0d
anrDXdg3y
*_Like our FB page_*
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587
_Edited by Memo_

*Chapter 5*

*Larry*

Kuparadzana nasis vangu


kwakandirwadza.Ndakafunga
pakambodonha ndakaona zvaisaita kuti
agare ega.
"Ruvimbo mhamha vako variko here"
ndakabvunza.

"Ehe varipo"

"Ko chii nhai Larry pinda mucombi iyi yava


kuda kuenda" said Rita.

"No Rita ndazofunga hazviite usare


wega.Ndaida kutaura naMai Ruvimbo kuti
umbofana kugara naRuvimbo kusvika
mhamha vadzoka"

"Handisisiri mwana mudiki waunotyira kudaro


Larry" said Rita.

"I know makura sis asi handisi kuzosiyai


mega ndikangatorega kuenda kubasa
kwacho"

"Hezvo wakakwana iwe" said Rita.

Ndakaenda kumba kwaMai Ruvimbo


ndikataura navo.Vakatofara havana
kuramba.Moyo wangu wakafara kuti atleast
ndasiyawo sis vangu vana someone
wavanowirirana naye.Ndaingonamata kuti
dai vawana mukomana anotya Mwari.

"Wesley usare uchionawo sis vangu"


ndakadaro.
"Okay usatya atori safe"

Ndakabva ndapinda mucombi ndikabva


ndatarisa Ruvimbo ndikaona achiyeredza
misodzi.Ndakangowaver maoko combi yava
kufamba.Chakandinetsa ndechekuti
Ruvimbo aichemei ini naye taisanyanya
kupindirana zvekudaro.

Combi yakarohwa ndakatobatwa nehope


nekuti mufambo waivapo.Ndakazomuka tava
kutosvika.Ndakatarisa foni yangu yanga ine
mamissed calls amaiguru vangu.Ndakaisa
call back vakafona vachiti ndava
papi.Ndakavaudza vakati ipa driver
foni.Hameno zvavakataura
naDriver.Ndakazongoona combi yamira
ndichinzi ndatosvika.Ndakabva ndaona
Maiguru vangu vakandimirirawo zveshuwa.

Vakatora bag rangu tikatanga


kufamba.Ndakaona vakatora direction
yekucar park.Vakasvika kuvhura door remota
vakaisa bag rangu.

"Pinda wakamirirei"

"Ooh ndeyenyu here mota iyi"

"Ehe inga wani ndakataura kuti ndava


nemota"
"Ndinokuzivai muri munhu wemajokes
ndakafunga muri kunyepa"

Mota yakarohwa tikasvika pamba


pavo.Yanga isina kumbokura
zvekudaro.Ndakatambirwa nakahanzvadzi
kangu Tamia.Tamia uyu aiva wesame age
naRanisha.Ndiye ega mwana wamaiguru
vangu.Murume wavo akashaya kaTamia
kachiri kadiki.

"Mkoma Larry mandivigirei"

"Aaah kumbori nechinhu here


kwandabva"ndakadaro.

Ndakagara pasofa ndikapihwa chikafu


ndikadya.

"Mangwana toenda tese kubasa kwangu asi


uchatanga kushanda as cleaner then
maresult akabuda wakapasa unobva
waiswavo pachidanho chiri nani"said Mai
Tamia.

"Haaa mhamha mazonyanya hamu..."said


Tamia
"Iwe nyarara handisi kutaura newe.Larry
ndoda munhu anoterera handizodi
zvekunyadziswa"

Makuseni kuchiedza ndakamukira kuenda


kubasa naMai Tamia.Ndakasvika paOffice
paHR vakandibvunza imwe mibvunzo hanzi
wakamboshanda here.Vakazondiendesa
kune department randainoshandira.

Ndakashanda zvakanaka zuva iri.Ndanga


ndisati ndajairana nevanhu asi kufamba
kwenguva taizojairana.Mazuva akapinda
ndichienda kubasa zvekuti ndanga
ndatopinda mutune.
Ndakapa kutenda mutaundi mune vasikana
vakazvarwa zvavo.Vamwe ndivo vaipfeka
zvinotora moyo zvidya zviri
panze.Ndaingonamata kuti dai moyo wangu
ukasazondisvitsa muna taisireva.

"Mapenyerwa nemwana uyo here chandoda


kukuudzai vanhu vanopfeka so mahure" said
Tamia.

"Handina kupenyerwa hangu"

"Ndazviona kuti matapirirwa nemusikana uyo


ndoda kuti manheru tiende pacorna apo
munomuona akamira ipapo ihure uyo"
Ndakabvunza Tamia kwaiva nechurch
yedu.Ndakafuma kuendako ndikaporofitwa
futi kuti ndichabudirira.

Kubasa ndaishanda nesimba asi ndakatoona


kuti moyo wangu wanga wava
neruchiva.Masupervisor angu vaifara
nekamushandiro kangu.Panga pane
supervisor vechidiki vanga vari vatsvuku
vakanaka.Ndakatanga kuwirirana navo
zvekusvika kuita mabest friends.Ivo
vaisazviona kuti ndaivada.Chero vari
vahombe kwandiri ndakatozviisa
paside.Ndaitevedza moyo wangu plus
havana kumbondikurira zvekudaro maybe
vakandisiya ne 3 or 4 years.
"Paweekend handei ka ground tinoona bhora
remabhuza" ndakadaro ndichiudza Yeukai
anova supervisor vangu.

"Mwana iwewe ka kunoitei ikoko"

"Mwana upi futi unondisaiza ka"

"Ndanyarara hangu"

"Saka wati tinoenda"


"Yes toenda asi unouya uchinditora" said
Yeu.

"Okay unondipa address ndouya


ndichikutora"

Weekend yakasvika ndikaoneka ndichibuda


pamba asi Tamia akati anoda kuenda neni.

"Tiri kuzoenda tese pamba panobhowa"said


Tamia.

"Ingoendai mese nhai Larry" said Mai Tamia.


Ndakabhoekana handina kuzviratidza
takabuda tese naTamia wacho.Ndakananga
kumba kwaYeu kwaisava kure zvakanyanya.

"Kwatiri kuenda kwacho hatisvike here


ndaneta ini"

"Tamia inga paya ndakuti sara"

"Mhamha varipo pamba panobhowa


vanenge vachingoda kutuma tuma"

"Saka unoda vatume ani nhai Tamia"


"Asi muri kunoona musikana wenyu kani"

Ndakatarisa kuroad ndikaona tsvarakadenga


yanga yakapfeka dress raitevedza
muviri.Pakasvika pedyo ndipo pandakazoona
kuti ndiYeukai.Ndakabvuma kuti vana
vakasikwa zvekuti Ruvimbo naDeviya
vaipetwa petwa apa.

"Hie ndanga ndakutouya This is my lil sis


anonzi Tamia" ndakadaro.

"Ndomuziva uyu anosimbisvika kubasa


achiona mhamha vake"
Tamia haana zvakataura akaramba
akanyarara.Takaenda kuground tiri
vatatu.Handina kuzomboona mukana
wekutaura nyaya yangu.Kana zviri
zvekuroora uyu Yeu ndaizotora hangu.

"Mkoma ndikudzoka ndikuenda kutoilet"

Kakabva katoenda ndakangoti dai


kakanonoka kudzoka.

"Yeu can i tell you something" ndakadaro

"Mkoma ndadzoka" said Tamia kachigara


pakati pangu naYeu.
Yeu ndakatozviona kuti atapirirwa neni uyu
Tamia ndiye aingoda kuvhiringa
zvinhu.Kwakazosvika pakusviba
ndikaperekedza Yeu kumba kwake.Aigara
nasis vake asi pari zvino ari ega sezvo sis
vake vari kuZambia.

"Saka musikana wenyu here uyu asi ari


kuratidza kuti muhombe kwamuri wani"

"Tamia unotaurisawo iwewe zvawaona


zvatoperera ipapo handidi kuzonzwa zvava
kuna mhamha"
"Kana ari musikana wenyu ini handimufarire"

Ndakaramba ndakanyarara kusvika tasvika


pamba.Mhamha vanga vakatorara
zvavo.Ndakabatsira Tamia kubika
mukitchen.

Pafoni pangu pakapinda call Rita ndiye


aifona

"Eeh vekutaundi"

"Sis Rita muri sei"


"Hesi Larry" uyu aiva Ruvimbo aidaidzirawo.

"Muri sei girls"

"Just missing you lil bro sei graft" said Rita

"Graft bhoo zvekuti"

"Mhoresa mom ko kamupfana kangu Tamie


karipi ndoda kutaura nako"

Tamia achinzwa izvi anobvuta foni otanga


kudaira achibuda panze.Ndakamutevera
ndaiziva aigona kuzodhomoka.Hakana
kudhomoka ndakanzwa kakutaura
naRuvimbo futi andizive vaizivana here.

"Unozivana naRuvimbo kupi"

"Tomuziva taimbomuwanzira naRanisha"

"Hoo okay"

Mwedzi wakasvika pakupera ndikatambira


pay yangu yekutanga.Yeukai
ndaingoverengera kumuudza kuti
ndomuda.Ndakafunga kuenda kumusha
paweekend.Ndakatengawo kagrocery
kekusvika nako.

Ndakasvika makuseni seni Rita achigeza


mandiro.Mwana wamai angu achindiona
anofara.Tinopinda ndikaona mhamha
vachicleaner mumba.

"My son ko sei usina kutaura kuti uri kuuya"

"Ndaida kukuitai kasurprise"

Ndakapinza grocery mumba mhamha


vakanditenda kasingaperi.Ndakazovapa
nemari pamwe chete naRita.
"Larry wachinja heyyy" said Rita.

"Handina kuchinja mira ndimbonoona


Wesley"

Ndakaenda kumba kwana Wesley ndikasvika


aripo.Achindiona akasticker akanditarisa.

"NdiMadzibaba Larry here ava ooh oh oh"

"Mukuita sei mudhara"


Takagara pasi tikatanga nyaya
dzevakomana.

"Iwe ndine getsi randakaona mwana iyeye


ndomumutisa chete" ndakadaro.

"Kumitisa? ndiani iyeye"

"Kamwe kasupervisor kepabasa pangu


mwana akanaka hake iyeye umm"

"Mava kudanana nemasupervisor makurema


but yekumitisa iyo chimbomirai"
"Haaa iwe kukamitisa ndiyo best solution
yekuti kasatorwa"

Ndakamuratidza mapictures aYeukai.

"Mwana akanaka hake but ari kuratidza kuti


muhombe kwauri wani"

"Izvo azvina basa haana kumbondikurira


nemakore akawanda"

"Zvitori nebasa atori muhombe kuna sis Rita


futi.Apa wakapenyerwa nerunako nehuyellow
born chete vasikana vakadai mahure"
mashoko ake akandibhowa.
"Wakatanga rini kurwadziwa
neni.Ndakakuudza kuti ndotevedza zvoda
moyo wangu kwete vanhu.Watondibhowa
apa"

"Zviri nani ndakubhowa


nechokwadi.Ndikasakuudza chokwadi apana
anozokuudza"

"Chokwadi chei uchiti hure kune munhu


wandinoda.Age haina basa chikuru
kuwirirana kwenyu"
"Zvandataura watozvinzwa Larry"

Wesley akabva atochinja nyaya.Asi


ndakaona pane zvinhu
zvaindihwandisira.Takaenda kugrowth point
tikambononwa zvedu madrink.Ndipo
pakasvika Ruvimbo akafara achindiona.Asi
Wesley airatidza kusafara ndakashaya
inyaya yei.Ndakabva ndaziva kuti aiva
necrush naRuvimbo chero aisada kubuda
pachena.Ruvimbo haana kumhoresa Wesley
zvakatondinetsawo.

"Ko sei usina kumhoresawo Wesley"

"Akuziva nyaya yake.Ndafara ndakuonai


mkoma regai ndiende"

Akabva atoenda Wesley akasimuka


akatevera Ruvimbo.Ndakatarisa ndikaona
vaisawirirana Ruvimbo
aipopota.Ndakazongoona Deviya agara
paside neni ameno akabvawo nepi.

"Hesi Larry"

"Ndiri bhoo ari sei murume wako"

"Handina murume ini uyo Desire


ndakamuramba kare.Ruvimbo ndiye
akandifurira kuti ndikurambe I'm sorry"
Ndaiva ndakatarisa kuna ana Ruvimbo
akabva acheuka tikatarisana
mumaziso.Akabva atanga kufamba achisiya
Wesley ega.Wesley akadzoka pandiri.Deviya
akabva asimuka zvaisaonana naWesley.

Makuseni takamuka tichinzwa kuti


madzibaba Pita vashaya.Ndakambofunga
kuti ndiri kurota asi chaiva
chokwadi.Ndakarwadziwa kusvika
pekupedzisira.Chakanyanya kushamisa
vanhu ndechekuti havana kumborwara
munhu kungofuma wakafa.Village yese
yakarwadziwa nekufa kwaMadzibaba Pita
ndipo pandakaona vaidiwa nevanhu
vakawanda....

_Drop your comments_

*Watch out for chapter 6*


*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/LA1CjLakQ4k0d4
oGoMVApd
*_Like our FB page_*
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 6*

*Larry*
Ndakatadza kuzvigamuchira kuti Madzibaba
Pita vatoenda.Ndakarwadziwa murume uyu
akatibatsira makawanda ko ndiani aizosara
achitibatsira.Mafiro aya anorwadza munhu
usina kumborwara.Vakazovigwa zvakanaka
asi village yakasara ichirwadziwa.

Ndakafona kubasa vakatonzwisisa.Ndakaita


4 days kumusha chete kwakazombonakidza
here kusuwa nekurasikirwa nemunhu
waMwari.Ndakaona pamba pasina mvura
apa ndaida kutogeza.Ndakatora bucket
ndikaenda kuchibhorani.Ndaizviudza kuti
ndikaita mari ndoda kuisa tape paden chete
ndicho chinhu chekutanga chandinofana
kuita.Ndakasvika Ruvimbo ari kuchera mvura
aine mabucket maviri.

"Ruvimbo uri sei"

"Ndiri bhoo wasiyepi Rita"

"Abuda namoms hameno vaenda kupi"

"Okay chazouya ndichimuona"

"Ko kuonawo inini" ndakadaro ndichida


kumunzwa.
"Inga ndakuona wani"

Ndakabva ndamutakurisa bucket


ndikamugumha zamu nemistake hameno
zvandakanzwa so asi ndakanyara
zvisingaite.Ndakada kuti sorry manzwi
akaramba kubuda.

"Umm nditambidze rimwe racho ndiite


zvekubata" said Ruvimbo

"Unoda kutakura ese ka1 here"

"Ehe ndozvandinosiita"
Ndakatonzwa tsitsi ndakamubatsira rimwe
racho ndikamuperekedza.Ndakasvika pamba
pavo mai vake vaiva busy kuruka
kaRutendo.Iko kaRutendo kachindiona
kanobva kandimhanyira.

"Hesi mkoma Larry"

"Uri sei Rutendo"

"Ndiri bhoo ndine nyaya yandoda


kukuudzai"kakadaro

"Iwe nyarara kana usina nyaya" said


Ruvimbo achikanyaradza.
"Aaah siya mwana ataure nyaya yake" said
Mai Ruvimbo.Takakwazisana navo.

Ndakaona ziso rakanga kakatariswa


naRuvimbo hakana kuzotaura.Ndakatoshaya
kuti inyaya yei.Handina kumbogarisa
Ruvimbo akandiperekedza.KaRutendo
kakarambidzwa nekuti kanga kari kurukwa.

"Ko Rutendo anga achida kuti chii why


wamurambidza"

"Ane makuhwa uyu ndosaka ndamurambidza


zvinhu zvevasikana zvaanga akuda
kukuudza"

"Hooo dai wangomusiya andiudza ka"

"Aaah iwe unozvidii zvinhu zvevasikana oooh


mhaiwe" akadaro achigara pasi airatidza kuti
abaiwa.

Apa anga asina bhutsu ndakashaya asiirei


bhutsu.Ndakaona zveshuwa mwana anga
abaiwa ndakamubvisa munzwa
ndikafuridzira ndidzo time dzakasvika
Wesley.Haana kuratidza kufara
hake.Ruvimbo akabva atodzoka ake.
"Ko mudhara munenge muchimboitei
naRutendo"said Wesley

"Hapana ndangomubatsirawo chete ko sei


wabvunza"

"Zvorambidzwa kubvunza here.Ndakazviona


kuti Ruvimbo unomuda apa manga muchiitei"

"Wesley handina basa naye musikana


uyo.Munhu wandinoda ndiYeukai ihasha dzei
dzawakundiitira"

"Kana wadaro apana chakaipa"

"Asi iwewe unoda Ruvimbo here"


ndakabvunza.

"Aiwa handina basa naye"

Ndakatoziva kuti andinyepera Wesley


ndakabva ndatochinja nyaya.Ndaenda
kuchibhorani ndikaenda kumba.Wesley
ameno kwakaenda asi ndakatoona anga
asina mufaro.

"Mwana uya ane tsika.Paitamba naDeviya


anga akarasika munhu ziva shamwari
dzekutamba nadzo" said mhamha vachitaura
naRita.

"Yea Ruvimbo ari cool ndosaka


ndichimufarira aifurirwa naDeviya chete.Muri
right mhanha vanhu tofana kuziva vanhu
vekutamba navo" said Rita.

Mazuva angu akapera ndikadzokera


kutown.Ndanga ndasuwa
Yeukai.Pandakangosvika ndakaenda kumba
kwake.Ndakasvika kutambirwa
nehug.Ndakatoona uriwo mukana weku
confesser mafeelings angu kwaari.

Mumba macho maiva muri smart ndakatoona


ndega kuti Yeu iwife material ari
smart.Ndakapihwa chikafu mwana
akanyumwa kuti ndanga ndane nzara.Ndivo
vakadzi ava ndakapihwa rice ranga rakazara
mazinyama.Ndakachipukuta chese
ndichinwirira nedrink.

Ndichipedza takatanga kuona movie


tese.Ndakazoisa papause ndikazvishingisa
kusvitsa shoko asi munhu akaramba
akanyarara.Akabva asimuka asina kutaura
chinhu akanozvivharira muroom
make.Ndakatanga kuzvituka
nechandizvitaurira izvozvi ndaputsa
hushamwari.

Ndinoramba ndakagara panoita dzinenge


30mins munhu asati adzoka.Ndakatora bag
rangu ndikabuda kuenda kumba asi ndanga
ndisina mufaro.Ndakasvika maiguru naTamia
vakanditambira nemufaro.
"Asi mkoma hamusi kufara wani" said Tamia

"Ari kurwadziwa rufu rwamadzibaba


rwakarwadza vanhu vakawanda even isu
takarwadziwa May his soul rest in peace"
said mai Tamia.

Dai vaiziva kuti ndikurwadziwa nezvandaitwa


naYeu vasiri kumbotaura izvo.Ndakaenda
muroom mangu Tamia akateverawo.

"But mkoma road yamabva nayo hand..."


Ndakabva ndakakata kamwana aka
kakanyanya kungwarisa.
"Tamia stop please"

"Kana maenda kunoona hure riya


ndinovaudza mhamha.I hate that lady zivai
izvozvo"said Tamia kachibuda.

Kanga kava kaform 2 but kanga kane hunhu


kechimwana ameno pamwe ndozvoita
munhu anozvarwa ari one.Ndakatozviudza
kuti ndakutoita madeals angu Tamia haafane
kutozviziva.

Ndakamukira kuenda kubasa ndaitya


kusangana naYeu.Patakasvika akabva
achinjwa department
rekushandira.Ndakatoshaya kuti chii
akanditsamwira here.Ndakasiyana nazvo
ndikatanga kushanda zvangu.

Pandakachaisa ndakabva ndasangana


naYeu ndikamira pamberi pake.

"Yeu I'm sorry pane zvandakaita nezuro asi


ndaingotaurawo zvainzwa kuda moyo
wangu"

"Hauna kutadza dear"

Akabva atanga kufamba kuenda ndakatoona


type idzi dzinoda kunyengererwa too
much.Ndakamumhanyira tikatanga kufamba
tese.Ndakazopinza nyaya yangu iya akabva
amira.
"Do you know kuti ndiri muhombe kwauri"

"I know but hazvina kana basa as long


tichiwirirana"

"Zvandoda unozozvikwanisa here"

"Ndozama kukufadzawo pandogona"

"Okay chauya ne answer yako mangwana"

Ndakabva ndadzoka ku office kwaMai Tamia


ndakaona vakamira pawindow vanga
vakanditarisa.
"Ko naYeu mowirirana panyaya dzei"

"Apana angori supervisor wangu"

"Okay mira ndikupe mari yekombi ndoda


upfuure uchitenga nyama pabutcher"

Ndakarova pasi.Ndakazosvika kumba Tamia


anga aripo sezvo vaive
paholiday.Ndaingonamata kuti dai kunze
kwadoka kuedze ndipihwe answer
yangu.Moyo wangu waitondiudza kuti Yeu
ndiye wangu chaiye chaiye.
Makuseni ndakatomukira zvandisati
ndamboita.Ndakatangira munhu wese
kusvika pabasa.Ndaitoda kuona Yeu akabva
asvikawo achiri makuseni.

"Larry ukadanana neni hauzoite umwe


musikana ndizvo ka"

"Yes obvious iwewe ndinotoda kukukanda


pakitchen"

"Tsek wako"

"Ndikuda kumbo testa malips iwayo umm ari


kuratidza kuti anotapira"
"Kwana tiri pabasa"

"Dai tisiri pabasa waindibvumidza here"

"Hameno"

"I love you Yeukai"

"I love you too Larry"

Ndakabva ndamupa hug ipapo


ndikatoshatirwa mubhurugwa.Iye ndofunga
akazviona akabva atoenda.Ndakasara
ndichifara zvisingaite.Yeu ndakazvipira
ndaizomira naye kusvika ndife apa
ndazozviwanira munhu chaiye.Vanhu vati
kurei ndovadira kuti vava mature uye
vakugona kugezawo vakuziva nhamo.

Days passed tava kupengesana


naYeukai.Ndanga ndava kutopindwa
nepfungwa yekumumitisa ndakatoona kuti
ndikasadaro ndaizotorerwa chete.Ndaisada
kumhanya kurara naye handide
azondifungira ndinoda sex paari.Maresult
akabuda ndakapasa zvisingaite.Ndanga
ndisingafungire ndichapasawo
kudaro.Handina kukwanisa kuenda
kunomatora asi Rita ndiye akanotora akabva
atumirwa.Zvakaita ndikwidzirwewo pabasa
ndikapihwa chidanho chiri nani.Mai Tamia
vakafara nemashandiro angu nekuti andina
zuva randakamborovha kana kunonoka
kubasa.

Ndakabva ndachinjwa department


ndikaendeswa kwaiva kune team raigadzira
magetsi.Ndaifamba naSnr Electrician pese
pavaifamba kunogadzira.Zvakaita
ndigumisire ndava kuzivawo zvimwe.Rimwe
zuva ndakaenda kumba kwaYeu ndikasvika
ari low low.

"mai vangu varwara ndiri kushaya kuti


ndotangira papi" said Yeu.

"Ooh ngativabate paminyengetero vanopora"


"No ndikureva vaka admitwa handina mari
yemushonga"

Ndakamupa kamari kandanga ndinako


kese.Moyo wangu wakarwadza kuona
mudiwa wangu akasuwa.

"Hiiiiii thanks my love wandiyamura


ndichakudzosera pandotambira"

"No usadzosa babe"

"Hiii shuwa here saka ndoda kutora off ye 7


days ndiende kunoona mai vangu shaa"

"Usatya vanopora dai zvisiri zvebasa taenda


tese ini ndine pressure neweekend ndinenge
ndichidiwa kubasa"

"Shandai daddy.Mirai ndinogeza


ndizokupekedzai" akadaro.Ndaibva ndanzwa
manyemwe ndichipihwa respect iyi.Chero
Deviya haana kubvira ambondipa respect
yakadai.

Akabva aenda kunogeza hameno chivindi


chekunomupindira mubathroom
ndakachionepi.
"Aaah sweetheart" said Yeu.

Ndakabva ndatobvisawo hembe tikageza


tese.Ndakatoti handingafe nenyota
makumbo ari mumvura.Ndakarova zvinhu
zvekuti ndakabva ndatoti ndakurara pamba
pake kumba ndozoenda
mangwana.Ndakadzima foni ndaisada
zvekunetswa.Ndaisaziva zvinhu zvozipa
kudaro ndakarara gotsi rakaita kuoma kuti
papata ngekunakihwa...

Drop your comments

*_nyaya yedu yakuchitanga manje_*


*Watch out for chapter 7*
*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/C6IWUlAM4XHKb
fP7JwJZBP

*_Like our FB page_*


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 7*

*Larry*

Zuva iri ndakanakirwa zvandisati ndamboita


muhupenyu hwangu.Yeukai aiziva zvanoita
zvekuti ndakapindwa nepfungwa yekuti
ndimuroore.Asi pandakafunga kuti handina
pandinotiwo pamba pangu ndakambomisa
pfungwa iyi.Moyo wangu wakati tsvaga
pekuroja kusvika wazoitawo pako.Ndakarara
ndikanonoka kumuka ndakazomutswa
nekabreak fast makuseni.Ndakapa kutenda
kuna Mwari kuti pana Yeu vaiva vakasika
munhu aiva akanaka zvese face nehunhu.

"Nezuro makabata basa daddy" said Yeu.

Ndakangosmile ndichidya chikafu


chiya.Ndapedza ndikapfeka work suit
yangu.Panga pasina need yekuti ndiende
kumba sezvo nguva yanga
yaenda.Takabuda tese naYeu kuenda
kubasa.Yeu akabva akumbira madays sezvo
mai vake vairwara.Akapihwa akabva
atoenda.

Ndakamboshanda zvakanaka here


ndichifunga zvatakaita manheru.Mai Tamia
handina kuona mukana wekutaura navo
sezvo ndaiva busy.Pandakachaisa
ndakaenda mu office mavo.

"Nezuro wakarara kupi Larry.Unoziva


handina kurara ndichikutsvaga here
unozviitirei heee" vakadaro vachiratidza kuti
vakagumbuka.

Ndakakwanisa kutarisa pasi ndichifunga


zvekuvanyepera.Zvaisaita kuti vatange
vaziva kuti ndodanana naYeu.

"Zvandiri kutaura hausi


kutozvinzwa.Watotanga musikanzwa Larry
ndati ndiudze wakarara kupi"

Padoor pakabva paita knock pakapinda


manager vachida kutaura naMai Tamia.

"Larry taita meeting nhasi neboard.Company


iri kuda kukuendesa kuchikoro unoita course
yemagetsi"
Pandakanzwa izvi ndakafara zvisingaite
kana ivo Mai Tamia ungazomboziva ndivo
vaipopota here.Takaenda kumba naMai
Tamia vachifara zvavo vachingorumbidza
Mwari.Mhamha vakafonerwa kumusha
vakatoziviswa.Pandakasvika kumba Tamia
haana kumbondimhoresa.

"Mukoma Larry ndakakuudzai siyanai


nemusikana uya ndiri kuzviziva ndiko
kwamakarara" said Tamia ndakashaya kuti
kaziva sei.

"Iwe zvauri kutaura wazviwanepi"


ndakabvunza lucky moms vanga vari kuroom
kwavo
"Kana musingadi zvekugara pano ingogarai
mataura kwete kuda kutinetsa
pano.Ndakazvitsvaga ndikazviona kuti
modanana nekambuya kaya" said Tamia.

Hasha dzandakanzwa ipapo ndakakapa


zigwati rembama kakabva
kandidzorerawo.Mwana haana kurairwa
uyu.Kakamhanya kuenda kubedroom
kwamai vake achichema.

"Ko chii chaitika"


"Mkoma Larry kundirovera kuti ndavaudza
chokwadi"

"Chokwadi chei iwe haugoni


kumbonyararawo here"said Maiguru.

"Mhamha I know kwakarara mkoma Larry


ndizvo zvandirovera"

"Akarara kupi"

"Kumba kwemusikana uya ndakanganwa zita


rake but anoshanda kubasa kwenyu" said
Tamia.Ndakashaya Tamia akaziva sei kuti
ndakarara kumba kwaYeu.

"Musikana upi iyeye iwe Larry ichokwadi


here ichi.Hatina kuzopedzerana wakararepi"

Nyaya yakabva yasarira kwandiri.Ndakapusa


panguva yacho.

"Sorry mhamha nezuro ndakasangana


neshamwari yangu yandakadzidza nayo
saka ndakaona kwasviba zvanga
zvisingachaite ndiuye kumba"

"Unondiona semwana mudiki here


Larry.Handitodi hunhu hwakadaro pamba
pangu.Kana wakuzviona sewakura
unotsvaga pako pekugara,nezuro
ndakatadza kurara ndichikutsvaga"

Mai Tamia vanga vatogumbuka vakaenda


mukitchen vakatanga kubatsirana kubika
naTamia.Vakapedza kubika tikadya patable
paine runyararo.

"Larry mwanangu uchinje hunhu hwako


handina kumbofara.Kana wafunga
kushanyira shamwari dzako unotaura toziva
kwete kungonyangarika"

"Sorry mhamha ndakakanganisa ipapo


handichazviite futi"

Foni yangu yakabva yarira ipapo ndikaona


ari Ruvimbo aifona.Pandakada kudaira
akabva akata.Ndakajusa mari mufoni mangu
ndikamufonera.

"Uri sei Ruvimbo kwakanaka here kundi


beeper"

"Ndiri bhoo sorry zvako handizive chii


chaitika yangobaika yega"

"No problem kari sei kashamwari kangu"


"Kapi"

"Rutendo"

"Kari bhoo kaitokubvunza izvozvi karara


thanks nekufona"

"I miss you Rue"

"Really"

"Yes asi iwe hauna kundisuwa here"


"Kana wandisuwa waidii kundifonerawo
hanty apa wafona nekuti ndini ndakubeeper"

"Pressure yandinayo yebasa ma1


ndichakuona pandikuuya ndokuvigira chii"

" Chero"

"Chii chinonzi chero"

" Tsek wako Larry.Undimhoresere Tamia"


Kakabva kakata kunga ndiko kaiva
kafona.Kavoice kaRuvimbo ameno zvakanga
kari so.Ndainzwa kuda kuramba
ndichingotaura naye.Ndakazama kufona futi
ikaramba ndakatoziva kuti yadzimwa.

Yeu akazosvika pakudzoka akati mai vake


vave nani.Ndivo madays atakatambira
ndanga ndakuronga kumboenda kumba.

"Yeu mangwana ndiri kuenda kumusha"

"Why pese paunotambira unoenda ikoko asi


une mkadzi here"
"Ndiko kumba kwangu kwandakakurira"

"Kana ini ndinewo kwandakakurira but


handizoendiko pandotambira mari
inotumirwa daddy"

Ndakachinja nyaya tikagumisira takutamba


chikudo kusvika tazoita mutambo
wevakuru.Ndakamukira kuenda kumusha
ndakasvika pamba pasina munhu.Lucky
ndaiziva panogara makey ndakapinda
mumba nezvinhu zvandanga ndauya
nazvo.Ndakashaya kuti vanhu vaendepi
ndakabvunza panext door pedu zvikanzi
vaenda kumunda.Yanga yava nguva
yekusakura.Ndakachinja ndikatorawo badza
ndini uyo kumunda vakatoshamisika
vachindiona.

"Larry wauya nguvai" said Rita.

Hatina kumbogarisa kumunda takabva


taenda kumba.Mhamha vaifara zvisingaite
vaingotaura kuti ngatinamatire zvakataurwa
necompany zvekukuendesa kucourse
zvibudirire.Ndakapa Rita mari yekuti
azotengawo hembe dzake chero yaiva
shoma akanditenda.

"Vana vangu rambai mune rudo urwu


ndinonzwa kufara kuona Larry uchisapotawo
umwe wako" vakadaro mai vangu
vachitozviisira drink mucup.

"Regai isu timbodya mari yemwana


wangu.Mwari vachakuitira zvihombe
remember zvawakaudzwa naMadzibaba Pita
zvatova pedyo kuitika"

"Yaa shuwa zvofadza.Ko wasiya kari sei


kamupfana kangu Tamia" said Rita.

"Kakangwarisa aka ndiRanisha part 2"

"Mabva mandifungidzisa gotwe rangu


asikana" said mhamha.
Ndakabuda ndichienda kumba kwana
Wesley ndakasvika asipo.Ndakasangana
naye achibva kumunda.

"Chibaba mapindira"

"Kutosvika manje manje uku ukuita sei"


ndakadaro.

"Hapana apa ndiperekedze kumba kwaMai


Desire"

"Kunoitei ikoko nhai"


"Aaah ndikuda kunovapa mari yavo takabva
kukwereta huku yavo waiziya"

Takaenda kumba kwana Desire tikanoka


pagate.Nokuthula hanzvadzi yaDesire ndiyo
yakavhura gate.

"Umm moms varipo here" akabvunza


Wesley.

"Yes varipo pindai uyu ndi Larry


here.Ukushandepi wachinja shem" said
Noku.
Takapinda mumba tikagara
pamasofa.Tikanzi timire zvishoma mai vacho
vari kugeza.Ndakashaya kuti Wesley akadii
kungopa Noku mari yacho nekuti pamba apa
paindibhowa.Ndakatozviudza ndaida kuvaka
zimba rangu rakanaka kupfuura iyi.

"Wazoti ukushandepi Larry watsvukira" said


Noku.

Ndakatadza kutoziva Noku akatanga


kutaurisa rini.Ndaimuziva ari munhu
akanyarara.Zvekuti vanhu vazhinji muvillage
vaimuti anodada nenyaya yekunyarara.

"Ndakagara ini handisi kushanda"


ndakanyepa ndichidaro.

Moyo wangu wakandirambidza kuti


ndimuudze chokwadi.

"Hoo but handikuoni wani"

"Ndikugara kutown"

"Eeeh vakomana" said Mai Desire


vachipinda mumba.

"Maswera sei Mai Dee ndatumwa nemari


yenyu iyi naSekuru"
"Waita zvakanaka Wesley.Ko iwe Larry
haumhoresi vanhu nei.Ko uri kushandepi
kutsvukira kudai"

"Ndakagara handisi kushanda ini"

"Hooo ko wakapasa here"vakabvunza.

"Ndakafoira ndiri kuda kunyoresa"


ndakanyepa ndichidaro.

"Oooh shem waiwanza kutamba.Ndoda kuti


mundichererewo bin rangu ndokubhadharai"
"Oooh izvozvo chete here no problem tosota"
said Wesley.

Ndakabhoekana zvisingaite nekubvuma


kwakaita Wesley.Ndakashaya kuti chii aida
kufadza Noku here hameno.Noku anga asina
kumbonaka asi ane body yekuti ukaitarisa
waimedzera mate.

"itotangai nhasi nekuti rekudhara iro razara"


said Mai Dee.
Zvekushandira Mai Dee ndizvo zvandaisafa
ndakaita muhupenyu hwangu.Chero zvikanzi
macompany ese avhara ndingatotambura
hangu.

"Ooh tichauya zuva rava kuvira now tiri


kubva kumunda" said Wesley.

"Hapana chakaipa"

Takabva tabuda asi kutaura chokwadi


zvakaita Wesley handina kuzvifarira.

"Wesley ndochii chawakuita"


"Ndaita sei"

"Ndiri kurangarira wakavenga Mai Desire ko


now wabvuma kuti tivashandire why"

"Uri right ndakavavenga asi apa ndiri


kutsvaga mari.Kuti uite mari shandira munhu
ane mari uye nzvimbo ine mari inga
unozviziva wani" said Wesley.

"Siyana nazvo nda..."

"Iwewe ukushanda ini handisi ndikutorarama


naiwo mapiece job aya saka wakuti siyana
nazvo unorevei kana usingadi iwewe regera
ndoita ndega"

"Ko zvava zvehasha here nhai Wesley.Okay


nyaya yacho ngaipere"

Takachinja nyaya tikatanga kutaura dzimwe


nyaya.Zuva rava kuvira Wesley akauya
kunditora tikaenda kwamai
Desire.Takangosvika paina Noku
tikavacherera bin racho.Ndakatanga kunzwa
nyota ndakatenderera kuseri kwemba
ndichida kuenda kutap.Ndakashamisika
kuona....
Drop your comments

*Watch out for chapter 7*


*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/C6IWUlAM4XHKb
fP7JwJZBP

*_Like our FB page_*


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/
_Written by *King Lee*_
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 8*

*Larry*

Ndakashamisika kuona Desire akatogara


achibhema.Iye wacho akatovhunduka
achindiona semunhu anga asina
kuzvitarisira.

"Uri kudei pano wauya kuba here"said


Desire.

"Dzikama ko ndouya kuba pamba penyu kuti


ndashayei"

"Mupfana dzikama ndogona kukupinza busy


izvozvi.Ndiudze uri kudei pano"

Noku akabva abudikirawo akabata chigubhu


chine mvura yemufridge necup yacho akaita
sekunga afemerwa kuti ndine nyota.Akabva
anditambidza zvake.

"Iwe Noku ndiudze chiii chikuitika pano" said


Desire.

"Zvauri kuona ndizvozvo.Ko mhamha vakati


chii nenyaya yekubhema huh usada kupa
mhamha BP" akadaro Noku akabva afamba
kuenda.Ndakaramba ndakakayeva mwana
anga akaumbwa zvake moyo wangu
wakatondiudza kuti apa ndofana kupfuura
nepo chete.

Desire akazviona kuti ndakatarisa hanzvadzi


yake ndakaona ndadirwa
mbama.Ndakamupa chibhakera mudumbu
akadonha pasi achiyuwira nemarwadzo.

"Desire usandijairira ndokumamisa


handitambe newe wanzwa here"

Ndakaenda kwanga kuna Wesley anga


atopedza hake.Noku akatipa mari yacho
ndiye anga asiirwa.Akatipekedza
tikasangana naRuvimbo asi ndakaona kuti
vaviri ava vaisawirirana.Ruvimbo
akangotimhoresa akabva apfuurira nerwendo
rwake.

"Asi hamuwirirane here" ndakabvunza.


"Ehe musikana uyu ane kahunhu kanobhowa
so",.

"Kahunhu kakaita sekapi"

"ihure uyu anodanana nevarume vevanhu


ndakamuwanikidza achida kuseducer
mkoma vangu Dee"

"Uri right Noku ndobvumirana newe ipapo"


said Wesley.

Mashoko aya akangondibhowa hameno chii


uye moyo wangu wakarambirana
nezvavaitaura.Izvi zvakabva zvatoita
ndivenge Noku.Ndakavasiya vakamira
naWesley ndikarova pasi.Kana pfungwa
yekuda kumusvikira ndakaitsveta
kure.Ndakarova u-turn ndikatevera kwaenda
Ruvimbo.Ndakamubata ava kure.

"Aaah asi wanga uchimhanya" said Ruvimbo.

"Yes ko ukuendepi"

"Kuhuni why wabvunza"

"Wega here nhai wadii kuperekedzwa


naRita"
"Aaah hazviite zvoita senge ndakunyanya
kumunetsa"

"Saka mira ndikuperekedze inini"

"Aaah uchandirovesa naNoku"

"Noku wei handina basa naye"

"Hooo"

"Ndanga ndakusuwa" ameno mashoko aya


akauya sei.
Ruvimbo akaramba akanyarara seasina
kuzvinzwa iye azvinzwa hake.Ndakatoziva
kuti uku kunyara.

"Larry chidzoka hazviite tiende tese"

"Why ukundidzinga plus hazvitoite


mwanasikana uri 1 uende kuhuni handide
zvakaitika kuna Ranisha zviitike futi kwauri"

Takaenda tese kuhuni ikoko


ndichingokaudza nyaya.Ndiri pana Ruvimbo
ndainzwa kufara munhu ari free.Zve uhure
hure zvitaurwa nevanhu handimbozvioni.

Takaswera tese izvi zvakaita ndive close


naye.Ndaingomutora sesister
yangu.Takaenda kumba tese.Pandakasvika
pamba pana Ruvimbo, kaRutendo
kakandimhanyira.

"Yeeee mandivigirei mkoma Larry"kakadaro.

"Oooh pfeka bhutsu tiende kumashops


ndinokutengera mazep"

Kakamhanya kunopfeka bhutsu.Mai vacho


vaisavapo vanga vaenda kugarden.Vanga
vakugara vega sezvo Baba Ruvimbo
vakaramba mukadzi wavo madays aye
akanzi mai Ruvimbo vakudanana
naDesire.Life yavo yanga yakurwadza.

Takaenda kushop nakaRutendo kaya


ndikakatengera mazep ako.

"Mkoma Larry mutsvagirewo sis vangu basa


kutaundi please mukadaro munenge
mafadza moyo wangu" kakadaro kaRuvimbo.

Kamwana kanga kakangwara kupfuura


Ruvimbo wacho.
"Okay ndichaita plan lil sis"

"Promise kuti mukuvatsvagira basa"

"I promise"

Takaenda tese kumba


kwedu.Ndakazokaperekedza kumba kwavo
ndikasangana naNoku aina Wesley.

"Muri sei team" ndakadaro.

"Hapana saka watsamwa paye here


pataitaura zvaRuvimbo"said Wesley.

"Larry anoda Ruvimbo ndazviona hangu"

"No handimude but ndomuona sehanzvadzi


yangu.Handingaku shoorei nekuti umwe
naumwe ane maonero ake"ndakadaro.

"Iwewe uudze sis vako vadzikame vasiyane


kaskiri kekuda kuseducer mkoma vangu"
said Noku achiudza kaRutendo.

"Kuseducer ndiko kuitei sei ndiudzeiwo


mkoma Larry" kakabvunza kaRutendo.
Ndakashaya ndotaura ndichiti chii.Wesley
akangonditarisa nerimwe ziso raiva
nemibvunzo.Chandakakwanisa kuita kubata
ruoko rwaRutendo kwava kutanga
kufamba.Hakana kuzombondinetsa
takasvika kumba kwavo mai vacho vanga
vavapo.

"Mhamha chii chinonzi ku seducer"


kakabvunza.

"Wazvinzwepi nhai Rutendo"

"Nda...."
"Regai ndiende tobatana next time
pandichauya mangwana ndikumukira
kudzokera"

"Waita zvako mwanangu watengerawo


Rutendo mazep tanga tanzwa nekunetswa
pano"

Ndakaenda kumba kwana Wesley ndine


mibvunzo yandaida kwaari.Ndakasvika aripo.

"Wesley wachinja chii chikuitika pauri"


"Ndaita sei"

"Pane zvinhu zvausiri kuda kundiudza.Why


wava kunyomba Ruvimbo kudaro asi wava
side rana Mai Dee"

"Iwewe une zvauri kundihwandisirawo tanga


wandiudza ndikuudzewo zvangu"

"Ndakakuudza kuti ndoda kuroora Yeukai futi


ndakabva kutokarova makumbo pane
zvimwe here zvandasiya"

"Aaah wakarova zvinhu makapfeka majombo


here"
"Iwe pane type isingadi jombo.Haa uyo
ndakapinda ndakadaro"

"Uri benzi ukaramba wakadai uchabata


zvirwere.Ndakuona hangu kuti wane ruchiva
matarisiro awanga uchiita Noku aya haasi
bhoo"

"No ndakazviita pana Yeu ndiye future


yangu.Noku uyu isascam ndatomuvenga"

"Larry une mafeelings naRuvimbo ndanyepa


here"
"Wanyepa hako musikana uya
ndongomufarira ndomuona sesister yangu"

"Kana uchimufarira muudze ka kuti


unodanana naYeu ndiko kuti ndizvibvume
kuti hauna mafeelings naye"

"Kana usingandi trust it's okay.Apa ndanga


ndangouya kukuudza kuti siya katsika kako
kekunyomba Ruvimbo asi akakuramba kani"

"Ruvimbo ndiye akaparadza rudo rwako


naDeviya izvozvi wava kundiudza heee
ndomuona sehanzvadzi yangu"
Ndakabuda ndisina kupindura.Ndakasvika
pamba ndakagumbuka zvisingaite.Yeu
akabva atofonawo.

"Daddy Larry"

"My heartbeat"

"I miss you ko kutadza kundifonerawo


amana"

"Ndanga ndichida kuzofona shaa


ndatokusuwa big time"
"Chidzoka kani umm ndikukuda ini" said Yeu
nekavoice kekuyema.

"Babe ndodzoka mangwana ndorara pamba


pako"

"Hiiiii shuwa here ndafara"

Foni yakabva yakata.Rita akauya pandiri.

"Ko waitaura nani"


"Haa ndezve kubasa"

"Hoo okay"

Ndakapinda mumba mhamha tikadya.Mai


Tamia vakafona kuna mhamha hameno
zvavakataura.

"Mai Tamia vati ndivatsvagire musikana


webasa" said Mhamha.

"Torai Ruvimbo ndiye anoita"said Rita.

"Ndiye amhanya kuuya mumusoro mangu


ane tsika ameno anobvuma here"

"Don't worry ndotaura naye anobvuma" i


said.

Rita akafonera Ruvimbo kuti asvike pamba


pedu.Haana kutora nguva ndakamuudza
nyaya yacho.Mwana wevanhu akafara
zvisingaite.

"Saka enda unogara warongedza ,mari


yebhazi ndokupa.Larry achakutora kuseni
ndiye wauchaenda naye" said Mhamha

Ndakaona tsoro yangu yekunosvikira kumba


kwaYeu yatodhakwa.Makuseni kuchiedza
ndakanotora Ruvimbo kumba
kwavo.Takapinda mukombi ndichifunga
ndoita sei kuti ndisvikire kumba kwaYeu.Uyu
Ruvimbo aitozvifarira asiri kutoziva
zvandaigaya.Ndakaona apana
zvandaikwanisa kuita.

Tichisvika pamba Tamia akafara achiona


Ruvimbo.Kana Mai Tamia vagara
vaimuziva.Ndakaenda kuroom kwangu
ndikasiya vachitaura vese.

"Mhamha izvozvi ndava kubuda ndodzoka


mangwana ndoda kuenda kumba
kweshamwari yangu iya" ndakadaro.
"Anombonzi ani shamwari yako"
vakabvunza.

"Anonzi Simba ndakadzidza naye"

"Manje hazviite iye ngauye achikuona" said


Maiguru vangu.

Ndakabhoekana Tamia akabva atanga


kuseka.Ndakanozvivharira muroom mangu
kana chikafu chemanheru
ndakachiramba.Yeu akabva atanga kufona.
"Guess ndiri kukubikira chii"

"Ummm ukundibikira chii"

"I can't tell you uchazviona wauya"

Akabva atokata kwanga kwasviba ndakabva


ndabuda nepawindow pangu ndikajamba
durahall ndino uyo speed kwana Yeu.

Yeu akanditambira nekiss yenzara


chaiyo.Dai asina kundimisa takaita
zvimwe.Ndakadya chikafu chacho mwana
aiziva zvanoita uyu.Tapedza takagara pasofa
tichitaura nyaya.Takagumisira takubata
kusvika taita mutambo wevakuru pasofa
ipapo.Ndakamutakura tikaenda mubedroom
make.Ndakarara pamba paYeu kuma 4am
makuseni ndakamukira kudzoka
kumba.Ndakapinda nepandabuda napo
zvekuti apana akazviona kuti handina kurara
pamba.

Mazuva ekuendeswa kuchikoro akasvika


ndikaenda.Kuchikoro kwacho kwaibhowa
sezvo ndanga ndaendeswa kure nemudiwa
wangu Yeu.

*Drop your comments*


Watch out for chapter 9
*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/DuExgtZfIg93Obd
mwAcCF0

*_Like our FB page_*


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587
_Edited by Memo_

*Chapter 9*

*Larry*

*3 years later*

Ndanga ndapedza course ndakutambirawo


mari iri nani.Asi chinhu chakatanga
kundinetsa ndechekuti why Yeu asingaite
nhumbu.Ndakambofunga kuti zvimwe
handizvarise.

"Asi unonwa mapills kani"

"Aiwa sei wabvunza"

"Ko sei isingabate nhumbu"

"Handizivewo ini ndikutomudawo mwana"

"Okay don't worry tichazofambira nyaya


dzacho"
Ndakaenda kumba ndikasvika kutambirwa
naTamia naRuvimbo vachidya zvavo.Mai
Tamia vanga vachinjwa
kwekushandira.Vanga vakushandira kure
zvekuti vaingouya pama weekend.Pamba
paingoswera Ruvimbo chete uyu Tamia
anenge ari kuchikoro aizongobatikawo
manheru.

"Mkoma Larry nezuro ndakarota Ranisha"


said Tamia.

"Anga achiti chii"


"Hapana zvaitaura but aingochema
ndakafonera mhamha ndikavaudza"said
Tamia.

Ndakarangarira makore apfuura mhamha


vakamborotawo hope dzakadai.Mhamha
vaifana kufambira maporofita vaone kuti chii
chikuitika.

Ndakaenda muroom mangu ndikanzwa


knock Ruvimbo akapinda.

"Yoooo Larry kuita semusingari munhu muno


muri junk"said Ruvimbo.
"Pandinobva kubasa ndinenge ndakaneta
handizokwanise kucleaner muno"

"Don't worry ndichamucleaner zvangu"

"Ko sei usina kudya" akabvunza Ruvimbo.

"Ndiri kuuya kudya"

Kakabva kabuda ndakaona mwana anga ava


kuumbika nekutsvukirawo.Ndakaramba
ndakamuyeva kusvika abuda.Ndakapfeka
short rangu ndikatora chikafu
ndikadya.Ruvimbo naTamia vaiva vari busy
kuona ma Indians avo.Ndakaenda kunogara
paside paRuvimbo.Haana zvakaita
akaramba akanyarara.

"But vanhu imimi makafitana" said Tamia.

"Unopenga chete Tamia" said Ruvie.

"Ndiri kutaura zvandiri


kuona.Ndikasazvitaura apana anozozvitaura
plus Ruvimbo wakanaka kupfuura hure
raMkoma Larry"

"Usada kutangana neni wanzwa here" said


Tamia.
"Mhamha ndoda kuvaudza pavari kuuya"

Kakabva kasimuka kuenda kuroom


kwake.Ruvimbo akangonditarisa haana
zvakataura.Ndakaenda muroom mangu asi
ndainetseka mumoyo mangu.

Kubasa ndanga ndakuwirirana neumwe


mufesi ainzi Joker.Taishandira same
department.Ndakamuudzawo nyaya yangu
akatanga kuseka.

"Handifunge kuti ndiwe une


dambudziko.Hazvinetsi izvi vasikana
vakawanda tsvaga umwe wekuzama naye
tione ane problem" said Joker.

"I love Yeu handikwanise kumu cheater"

"Mudhara Yeu akambonyatsoita sei


wausingadi naye.Asi wakadyiswa here ita
semurume iwe.Ita zvinhu zvako pasi
pemvura"

Yeu akabva asvika patanga tiri ndakaona


anga asingafariri Joker.Ndakaenda
kunotaura naye paside.

"Unowirirana nemunhu uyu pakudii"


"Hezvo kwakanaka here munhu
wandoshanda naye ndotadza kuwirirana
naye here"

"Haasi shamwari yakanaka uyu ndotya


anozokufurira kuti undisiye sezvo iye haabve
mumadress"

"Handimbodaro mukadzi wangu"

"Promise kuti nhasi unouya kurara kumba


kwangu sis vangu havako vaenda kumusha"
said Yeu.
Ndakaramba ndakanyarara ndichifunga kuti
ndoramba sei.

"Panomboda kufunga here apa.Ndaizviziva


kuti Joker akufurira pamwe wave neumwe
musikana"

"No babe kungoti nhasi ndanga ndine ka


program waiziya.Usandifungira izvozvo
ndouya but ndichanonoka"

"Okay daddy"

Pandakachaisa ndakaenda kumba


ndikasvika Ruvimbo asipo pangori
naTamia.Ndakatoshaya kuti aendepi
ndinoziva ari munhu asingafambe fambe.

"Ko Ruvimbo aendepi"

"Aenda patuckshop akudzoka"

"Wamusiyirei achienda ega nhai"

"Zvatoshata here nhai mkoma"

"Ndiri kungotaurawo" ndakadaro ndichibuda


panze.

Ndakamuona muroad achifamba


naJoker.Handina kufara nazvo ndakaramba
ndakamira.Akasvika akandimhoresa
akapinda mumba ndikasara ndakamira
naJoker.

"Aah kababe aka kanogara paden pako umm


kanyama"

"Siya mwana uyu unomboda mababe


mangani" ndakadaro.

"Uyu ndomuda ndoda kumukanda pakitchen


ndipewo number dzake"

"Wadii kupihwa naye nhai"


"Andinyima anyway mira ndichazokutaimira
pakanobuda"

Joker akabva atoenda ndakapinda mumba


ndikapopotera Ruvimbo.Tamia akangoseka
hake.

"Joker uyu ane mababe akawandisa


uchaitiswa"

"Ko sei wandiudza izvi"

"Ndaona uchitaura naye"


"Saka kutaura nemunhu kureva kuti
ndomuda here.Why ukundiitira hasha chero
ndikamuda chii chokurwadza" akadaro
achibva asimuka.

Ndakashaya kuti atsamwei apa ndaizama


kumuonesa.Ndakaenda kuroom kwangu
ndikambogara ikoko kusvika team
rarara.Ndakabuda nepawindow ndini uyo
kujamba durahall.Ndakamhanya kumba
kwaYeu.Yeu anga akundipa pressure yekuti
ndimuroore.Yes kumuroora ndaida asi ndine
zvinhu zvandaida kutanga ndaita ndisati
ndaroora.
"Inga wani wava kuhora mari yakawanda
kutopfuura yangu" said Yeu.

"Yeu ndiri kuzviziva usatya ndiri kufambira


nyaya dzacho"

Padoor paYeu pakaita Knock ndakaramba


ndakagara.Kana iye akatoshaya kuti ndiani
anonoka husiku hwakadai.Panoramba
pachinokwa Yeu anosimuka onovhura door
asi airatidza kutya.Ndakapererwa kuona ari
Tamia achipinda mumba akapfeka track suit
yeblack.Akauya kugara pasofa pandanga
ndakagara.Hasha dzandakanzwa panguva
iyi kamwana aka ndaikakuvadza.
"Ndauya kukuudzai kuti kumba kwabiwa
Ruvimbo arepiwa imimi muri kuno"

Kakabva kabuda kamwana aka kacharoya


chete.Mashoko aya akarovesa hana yangu
ndakabuda mumba maYeu ndichimhanya
kuenda kumba.

Ndakasvika mumba ndikaona zvinhu zvese


zviri mu order.Ndakapinda muroom
maRuvimbo ndikaona asimo.Ndakaenda
mudinning ndikaona vachiona
TV.Pavakandiona vakatanga kuseka.

Zvaireva kuti vanhu ava vandiona nguva


dzandabuda.Ko iye Tamia akaziva sei
pamba paYeu.

"Munonyadzisa mkoma mungadanana


nechembere iya.Munozviziva here kuti
munhu uya aka..."ndakamukata asati apedza
kutaura.

"Tamia siyana nelife yangu.Ukada kuramba


uchifamba munzira dzangu ndokumamisa"

Ndakabva ndatoenda kutorara.Ndakamuka


ndakaneta kubasa kwaitobhowa.Kaiva kari
kaFriday.Pandakachaisa ndakabva
ndatoenda kumusha.Ruvimbo akandituma
nemari yekunopa mai vake.
Ndakasangana naDeviya achibva
kumashops mwana anga asimba hake.

"Larry" akadedzera ndakabva ndamira


ndakazongoona ndambundirwa.

"Ndanga ndakusuwa nguva yareba


tisingaonani"

"Uri bhoo here"

"Ndakusuwa ndaitsvaga number


dzawakushandisa Rita akandinyima"said
Deviya.
"Waida kudzidii number idzodzo"

"Kukuudza something zvandakuona rega


ndingokuudza"

"Taura tinzwe" ndakadaro.

"Ummm kune kumwe kuchurch


kwandakaenda ndakaporofitwa kuti
ndicharoorwa newe.Unoziva pandakanzwa
izvi ndakatofara you are my future hubby.I'm
sorry pane zvese zvandakaita kungoti
Ruvimbo ndiye aindifurira" said Deviya
maziso akajenga misodzi.Ndakamboramba
ndakanyarara ndakamutarisa.

"Wakatondirwadzisa wava kundida nekuti


ndava kushanda.Ndiani muporofita iyeya
akakunyepera.Sorry ndakatoita move on"
ndakadaro.

"Move on kureva wava kudanana naRuvimbo


here.Pane chinhu one chausingazive pana
Ruvimbo iyeye ndak...."

"Stop it i hate vanhu vano nyomba vamwe uri


kuratidza kuti hausati wachinja nanhasi"

Ndakabva ndatanga kufamba kutoenda


kumba.Asi mashoko aya Deviya ekuti
akaporofitwa kuti acharoorwa neni
akamboramba achindinetsa.Handina
kuzvigamuchira hangu.Apa Wesley ainzi
akaenda SA handina kufara nazvo akaenda
asina kundiudzawo.Rita handina
kumbomuona pandakasvika.Munhu
wandaisakanganwa kupa mari ndimai
vangu.Kufara kwavo ndiko kufara kwangu.

Ndakaenda kunogara kuseri


kwemba.Ndakatanga kufunga zvese
zvandaiporofitwa nevanhu vaMwari vachiti
ndaona wabudirira.Ko sei zvinhu zvacho
zvisingaitike.Moyo wangu wanga wane
chidokwa dokwa kuti dai zvatoitika izvozvi
ndifambewo nemota yangu ndiitewo imba
yangu.Moyo wangu waingondinetsa kuti dai
zvaitika.
_drop your comments_

*Watch out for chapter 10*


*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/EomLui6N677Fu4
gY1QyG0Z
*_Like our FB page_*
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 10*

*Ruvimbo*
Ndakanga ndava negore ndisina kumboenda
kumusha asi mari ndaitumira zvangu.Ndanga
ndasuwa mai vangu nekamupfana kangu.

"Pane munhu ari kuda kukuona panze" said


Tamia.

"Ndiani iyeye"

"Joker"

"Handidi ngasiyane neni anondibhowa


munhu iyeye"

"He is a player ndoshaya vanowirirana


pakudii naLarry" said Tamia.

"Larry akakura ari munhu kwaye kuuya


kwakangoita kutown akabva atochinja"

"Kuvhunduka town uko" said Tamia


achiseka.

Akabva abuda panze pasina nguva anga


atodzoka.Larry akabva asvikawo aibva
kumusha asi waiona kuti pane
zvaimunetsa.Haana kumbonyatsa kutaura
nesu akabva aenda muroom
make.Ndakamutevera kuroom kwake
ndikasvika kuknocka.

"Pinda"said Larry ndikabva ndapinda.

"Ko wasiya vari sei vamwe kumba"

"Vese vari bhoo"

"Asi uri kurwara here" ndakabvunza.

"No handisi ndakangoneta hangu" akadaro.


"Chimbogeza pamwe unoita zviri nani"

"Ko why uri so worried kudaro nhai Ruvimbo


ndoita bhoo ini" akadaro akanditarisa.

Ndakatoshaya sei ndainyanya kuitawo


worried naye.Ndakabuda ndisina
kumupindura.Tamia achindiona ndichibuda
muroom maLarry anosekerera akafunga
zvisizvo.

"Dai zvandiri kufungira zvikanga zvirizvo"

"Manje hazvisizvo"
Mazuva akafamba Larry anga asingacharari
pamba ndaiziva hangu ari kurara kumba
kwaYeukai.Izvi zvakabhowa Tamia akafunga
kufonera mai vake.

"Mhamha muri sei"said Tamia.

"How are you my daughter"

"I'm not okay mhamha"


"Ko chii mwanangu"

"Munokwanisa kuuya kuno here paweekend


ndine zvandikuda kukuudzai"

"Ndiri kuuya mangwana ndine mapaper


andikuda kumba ndokuona ndauya"

Vachipedza kutaura Larry anobva apinda


achiratidza kuti akadhakwa.Ndakashaya kuti
akatanga kunwa rini.Akapinda mukitchen
akatora chikafu akadya pasina waataura
naye.Larry anga ane kahunhu
kanobhowa.Achipedza kudya akaenda
kundogara pasofa.Hatina kutaura naye
takamusiya akadaro.

Kuchiedza Mai Tamia vakasvika makuseni


seni.Larry anga atoenda kubasa kwake.

"Mhamha munoziva mkoma Larry dzimwe


nguva havarari pamba"

"Hanty akataura here kuti anenge ari


kushamwari yake" said mhamha.

"No mhamha akudanana neimwe chembere


inonzi Yeukai ndiko
kwanorara.Ndakatombomusvikira ariko futi
ndakaedza kumbovaonesa but vane nharo"
akadaro Tamia.Mai vake vakavhura ziso
kunga munhu adzipwa.

"Yeukai upi wacho"

"Wekubasa kwavo"

"Oooh no no mwana uyu ashayei kudanana


nembuya iya"

"Vakutonwa doro futi" said Tamia.

"Mwana apanduka uyu.Handichato mutrust


kuti agare nemi pano anogona kuzobatai
chibharo akadhakwa" said mai Tamia
vakanditarisa.

Mai Tamia vakafonera Larry vakamuudza


kuti vaida kumuona palunch vasati
vadzokera.Lunch yacho yakasvikawo.Larry
akamhoresa mhamha asi havana kudaira.

"Larry ndakatadza here kukutsvagira basa


huh"

"Mhamha zvaita sei ko"said Larry.

"Pese apa waindinyepera kuti uri kuenda


kunorara kufriend yako iwe uchienda
kunorara kuhure rako kundiita benzi saka
ndakatadza kukutora kumusha kuti uuye
kushanda!"

"I know Tamia ndiy....."

"Yeukai wacho une zera naye


here.Unonyatsa kumuziva here.Kana wava
kuda zvaYeu pano unobva handitodi
zvevanhu vanonwa doro pamba pangu"

Larry akaramba akanyarara achiti


akambotarisa Tamia otarisa ini aifunga kuti
ndamufumurawo.
"Yeukai anonzi akauraya murume wake
iwewe ndipo powoda pane munhu ane
ngozi.Handina kumbofara washaya vasikana
vezera rako here nhai.Ngazvitopera izvi
ndikanzwa kuti wanwa doro kana kuti
watadza kurara pamba ndokudzinga pamba
pangu" vakabva vatoenda kubedroom kwavo
vakanotora mapaper avo.

"Ruvimbo handei ndine zvandinoda kusiya


ndatenga mutown" said moms.

Ndakachinja ndikaenda kumota


kwavo.Takaenda mutown tiri muroad mota
yakabva yamira.Mai Tamia vakabuda
kuenda pane umwe mukadzi vakasvika
kumushaudha ndakazoona ndiye Yeukai.

"Leave my son alone wanzwa here iwe


hure.Hautonzwi kunyarawo wega here nhai"

"Ndini ndakamupfimba here mwana wenyu


zvamava kundipopetera sezvinonzi ndini
ndine mhosva" said Yeukai.

Ndakanyatsa kumutarisa ndikaona aiva


asina kumbonaka asi aiva neskin
yekanaka.Vana Larry vanenge vakangoona
zvidya zvetsvuku vakatokabira.

"Ukaramba uchidanana naLarry ndinoita


zvekuti basa rako ripere ziva izvozvo"

Mai Tamia vakadzoka kumota tikasvika


mutown.Vakasiya vatenga zvinhu zvacho
vakabva vaenda.Ndakaenda kumakombi
ndikaenda kumba ndakaremerwa.

Days passed Larry aisataura neni


naTamia.Asi pamba anga akurumidza
kuuya.Rimwe zuva ndichibva kunotenga
chingwa kushop ndakasangana naJoker
akatanga kundinetsa achida
number.Ndakamunyima akagumisira
akundipfimba.

"Ruvimbo I love you"


"How do you know it's love"

"Because when i think about you i can't


breath"said Joker.

"Unopenga iAsma iyo" ndakadaro


ndichiseka.Kana iye akabva atanga
kusekawo ameno Larry akabvawo nepi.

"Ruvimbo ndabvira kare ndakamirira chingwa


ichi wadii watuma hako Tamia kana uchiziva
uchada kuzoonana nemkomana wako"said
Larry.
Handina kupindura ndakapinda pagate
ndikavasiya vari 2.

"Birthday rangu ririko mangwana shaa"said


Tamia.

"Unenge wane mangani manje"

"Obvious 18 but ndikuda kuita kaparty"

"I hate zvama party ini"

"I know reason yawakaverenga maparty


manje pangu ndoda pangouya girls only
waiziya"

"Yaaa ukadaro unenge wagona"

"Saka ndiperekedze kutown titogadzirira


zvinhu zvapa party pacho"

"Ko mhamha wavaudza here Tamia"


ndakabvunza.

"Vanozviziva ava apana need yekuvaudza"


"Saka mari yezvinhu zvauri kuda kutenga
wakaiwana kupi"

"Ndanga ndakaichengetera zuva


ramangwana"

Handina kupikisa takatenga zvinhu zvese


zvepaparty netuma beer tushoma.Iye Tamia
ndiye akati kana paparty pasina beer
hapazonakidze.Ko ndaizvizivirepi
zvemaparty ndaingotevedza zvaitaura.

Takadzoka kumba takaita kuremerwa Larry


akatoshaya zvinhu zvei.
"Ko zvinhu zvei izvi"

"Finally mazofunga kutaura neni" said Tamia.

"Pindura zvandabvunza",

"Zvinhu zvepano maiti ndezvepi"

Tamia akabva aenda kunogeza ndikasara


naLarry anga akangonditarisa sezvinonzi
atanga kundiona.Ndakambozvitarisa ndichiti
pamwe handina kunyatsogona
kupfeka.Ndakaona ndanga ndakachena
kungoti ndanga ndakapfeka kadress
kaigumira mumabvi kakanyatsa kushaper
muviri wangu.Ndanga ndaumbikawo zviri
nani.Larry wacho matarisiro anga akaita
ndakagumisira ndakutonyara.

"Wakachena hako" akadaro.

"Thanks"

"Ko zvinhu zvei izvi"

"Ndezvepa birthday party raTamia ririko


mangwana"
"Ko kusandiudzawo nhai"

"Hapadiwe vakomana i don't think unenge


uripo"

Larry akangoseka achienda


mukitchen.Ndakateverawo sezvo yanga
yakwana nguva yekubika.

Akatanga kubata batawo


mapoto.Ndakaramba ndakamira ndichida
kuona ari kuzama kuita sei chaizvo.

"Umm pari kubikwa chii ndiri kuda


kungobatsira chete"

"Kwakanaka here nhasi ummm"

"Yes kuchigoipei nhai Rutendo"

Takatanga kubika tese achindiudza


nyaya.Tamia akazopinda tatopedza.

"Tamia ndikuda kuunzawo shamwari dzangu


5 paparty ndichawedzera zvimwe zvinhu
zvisipo"

"Kana dziri dzechikomana handide"


"Ndedze chikomana apana zvomboitika
hanty kungofara here nhai"

"Okay kwacho"

Day reparty rakasvika.Larry akandituma


kutown naTamia achiti tinowedzera
zvakashota.Patakadzoka takasvika pamba
patozara vanhu patoitwa
decoration.Takashaya kuti anga azviita
nguvai Larry.Panga pangori nevakomana
vashoma vekubasa kwana Larry.Joker
ndakamuona aripowo futi.Party yakatanga
kusvika zuva rava kuvira.Vanobvisa
mapresent vakabvisa zvavo.

Kwasviba vanhu vakatanga kugotcha gotcha


vamwe vari busy kunwa.Joker akauya
pandanga ndakagara naTamia.

"Ruvimbo ndoda kutaura newe pedu tega"

"Handidi"

"Please"

Ndakarambisisa akabva ayenda ndipo


pakauya musikana anonzi Mona kashamwari
kaTamia.Akauya akabata doro
nedrink.Aitoratidza kuti abvira kare achinwa
anga akutodhakwa.

"Tamia inwa" said Mona

"Handinwe hwahwa ini"

"Saka watengerei hwahwa hwacho"

"Ndaitira imimi kuti muzonwa"

"Tamia kura shaa hausisiri mwana


mudiki.Ndezve zuva rimwe chete izvi kufara
hariuraye iri"

Tamia akanyengererwa kusvika


atora.Akatanga kunwa zvekutoti neniwo
ndakanzwa kuda kumbonzwa taste yaro,
ndakagumisira ndakutonwa.

Ndakanwa zvekuti ndakagimisira ndakuona


kunga nyika iri kutenderera.Ndakaenda
pairira radio ndikatanga kujaivha kusvika
ndakunzwa dzungu.Ndakazongodonha pasi
ndiye zii.Ndakapepuka mangwana acho zuva
ratobuda.Ndakaona ndiri muroom mangu
musoro waita kurwadza.Pandakati ndisimuke
pabed maikumbo airema kusikarudzi kwangu
kwaita kurwadza.

Ndakazvitarisa ndikaona ndakararwa chete


ndakaridza mhere.Humhandara hwangu
hwakatoenda nemunhu
wandisingazive.Ndakazama kufunga
zvakaitika nezuro ndakarangarira pa
ndakadonha asi akanditakura kundiisa
muroom mangu handina
kumuona.Ndakamuka ndikatanga kufamba
ndairwadziwa pakati pemakumbo
zvikanyanya.Ndakazvishingisa kunogeza
misodzi ichingoyerera
pamatamba.Ndakanyatsa kuchema
ndakagara mutub ndichizvituka nekunwa
kwandakaita doro.
Ndakapedza kugeza ndikadzoka kuroom
kwangu asi step yanga yachinja.Ndakasvika
kumira pabed ndikaona turopa pamasheet
angu ndikatanga kuchema futi.Tamia akauya
kuroom kwangu airatidza kuti achangobva
kumuka.

"Ko uri kuchemei Ruvimbo chii chaitika"

Handina kukwanisa kumupindura


ndakangonongedza ropa raiva pamasheet
ndichichema.Iye haana chakanzwisisa
ndakazomutaurira zvakaitika zvacho
akatanga kuchemawo.
"Oooh sorry Ruvimbo wakabatwa chibharo
nekuda kwangu dai ndisina kuronga nezve
party iyi"

"No Tamia hauna mhosva.Ndatovenga Larry


ndiye akaunza vanhu vekubasa kwake ndiri
kurwadziwa Tamia why me why"

Tamia akandinyaradza akanobika chikafu


akazama kundipa ndikachiramba.Larry
handina kumbomuona ndakaenda kuroom
kwake ndikaona asiko airatidza kuti haana
kumboraramo.Kunze kwanga kwatosviba
asina kumbobatika.

"Ndiri kufungira Joker " said Tamia.


"Kana ariye ndoda kumubvisa chiri kumeso
mira uone"

"Yaa uchiri kurangarira Joker pakakumbira


kutaura newe ukaramba ndipo pakabva
pauya Mona anenge akatumwa kuti
dhakwisa"

" Saka ndiye hande kumapurisa izvozvo"


ndakadaro ndichisimuka kupfeka bhutsu.

Ndakangozvishingisa kufamba
ndairwadziwa.Kunze kwanga
kwatosviba.Takasvika papolice station paiva
nemupurisa wechikadzi.Ndakamuudza nyaya
yangu munhu akutondidaira rafu.

"Tuvana twemazuvano maguta kurarwa


makuuya muchinyepa kuti
ndakarepwa.Ndipe hombowo hunoratidza
kuti wakarepwa nemkomana wauri kutaura"

Tamia apinda busy


kundinyaradza.Takadzoka kumba
ndakasuwa ndisina kana mufaro.

"Usachema ndoda kudzidzisa Joker lesson


yaasingafe akakangwa muhupenyu hwake"
said Tamia.
Tamia akafonera Mai vake akavaudza
zvakaitika asi ndakazoshamisika nemhindiro
yavakataura....

_drop your comments_

*Watch out for chapter 11*


*MOYO WANGU*
_my heart_
https://chat.whatsapp.com/EomLui6N677Fu4
gY1QyG0Z

*_Like our FB page_*


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
*Chapter 11*

*Ruvimbo*

"Hakuna umwe chete ndiLarry mira nditore


leave ndiuye ikoko mangwana" vakabva
vakata foni yacho.

Mhinduro yavo yakandishamisa nekuti Larry


handina kumbofungira angaita
zvakadaro.Munhu wandanga ndiri kufungira
ndiJoker.Tamia akabika ndaisatoda chikafu
asi akandimanikidza kudya.Larry ndipo
pakasvikawo achiratidza kuti ane mufaro
wakanyanya.

"Ko Ruvimbo maziso akatsvuka nei chii


chikuitika" akabvunza achigara pedyo neni.

Chandakakwanisa kuita kungomutarisa


nekubva ndatanga kuchema.

"Mkoma Larry makarara kupi"akabvunza


Tamia.

"Izvo hazvinei newe ukangoudza moms


unondiona"
"Pindurai zvandabvunza ndine zvandikuda
kuziva nekuti mukasapindura mushe
munofira mujeri imi" akadaro Tamia.

"Jeri rei usada kundityisidzira zvenhema"

"Ndakati paparty pangu handide vakomana


imi mukandinetsa ndikabvuma.Nyaya yangu
iri pakuti ndiani akarepa Ruvimbo"

"What akarepwa rini nguvai nani" akapindura


Larry achiratidza kuvhunduka.

Ndakaona amira akabata musoro achiratidza


kuti pane zvaari kufunga.Akapedza nguva
aka sticker ndakafunga kuti pamwe anoziva
munhu andibata chibharo.

"Mkoma Larry asi munomuziya here munhu


wacho"

Padoor pakabva patoita knock Tamia


anovhura door ndinoshamisika kuona mai
vake vachipinda.Ko zvavati vari kuuya
mangwana.Vakamhanyira pandiri vairatidza
kurwadziwa mumaziso avo.

"My daughter Ruvimbo tell me chii chaitika"


Ndakatsanangura zvakaita zvese kusvika
ndidonhe nekuzomuka
ndichirwadziwa.Tamia akataura kapart kake
hapana zvakasiya.

"Larry ndiwe wakaita izvi chete hakuna


umwe this time handisi kuzokuregerera waita
zvinhu zvekuti ndikubvise pamoyo pangu"
said Mai Tamia.

Ndaishaya sei vaiti ndi Larry.Iye Larry


akavhura maziso zvekuratidza kushamisika.

"Mhamha mune shuwa kundidaro"


"Larry nyaya iri pachena nekuti apana
anoziva room yaRuvimbo kunze kwako
wakatozvibatisa wega izvozvi ndiri kutoenda
kupolice handitambire nonsence dzakadai"

"Kutaura chokwadi ndinopikisana nezvamuri


kutaura.Ndinobvuma ndakakanganisa
pakuunza boys paparty but chokwadi
chaicho handina kumborepa Ruvimbo"

"Hapana point yawataura ino prover kuti


wakachena panyaya iyi"said Mai Tamia.

"Mhamha handina zvandakaita munoda


kutaurirwa point ipi ndichikuudzai kuti
handisini"

"Hautendi ndakakutsvagira basa ndikaita


company ikuendesewo kucouse wava
kunditenda nekundirepera vana pano.Tora
mabag ako ubve pamba pangu now"

Mai Tamia vakapopota kusvika pakubudisa


musodzi chaiwo.Larry akada kuzama kutaura
navo akarohwa mbama.Larry akadzingwa
pamba zvekuti ndakarwadziwa asi ndanga
ndine kaconfussion kuti ndiye here akazviita
here or haasiye.Mai Tamia vakanozvivharira
muroom mavo.
"kuti ndiye akazviita here nhai Tamia"
ndakabvunza.

"Nyaya iri kumubatira kuti paboys dzese


dzaiva pano ndiye ega anoziva room
yako.Asi inini ndine doubt chete ndiri
kufungira Joker"said Tamia.

"Kana neni uyo mira ndoda kumugadzirira


size" ndakadaro.

"Mona akauya kutipa doro anenge akatumwa


mira ndoda kutanga naye atiudze akatumwa
nani"
"Une point ipapo ndosaka ndichikuda
unokurumidza kufunga"

"Saka mangwana ndiri kuenda kumba kwana


Mona ndinoona kuti ndomupinda neipi"

"Ndoda kuendawo" ndakadaro.

"No unosara namhamha kani"

"Handidi"

"Okay toende tese"


Mai Tamia vakabuda mubedroom mavo
vakauya kugara pandanga ndiri.Asi maziso
avo airatidza kuti vambobva kuchema.

"Ruvimbo mwanangu usatya ndichamira


newe ndokuona semwana
wangu.Ndarwadziwa nehunhu hwaLarry"

"Mwari ndivo vanoziva mhamha.Ndinoshaya


ndakatadzei why me" ndakatanga kuchema.

Mai Tamia vakabva vandirarisa pamakumbo


avo.
"Everything will be okay.Wotogamuchira
zvavapo haushaye anokuroora
usambochema hako.Kutanga nhasi wakurara
naTamia muroom make"

"Ndoda kumboenda kumba"

"Ndoda kuenda newe kuchipatara


unobatsirwa nda...."

"Handidi kuendako isu tabva kumapurisa


vakandiita rough kuzoti ivo manurse
vachangondiita rough futi handidi"
Mai Tamia havana kuzondinetsa vakabva
vaenda kunorara.Makuseni vakamukira
vakandipa mari yakawandisa vachiti
ndeyangu.Ndakavaudza kuti yakawandisa
vakati ndeyako.

"Mhamha ndoda kuendawo kumusha


ndasuwa Sis Rita ini" said Tamia.

"Hazviite kuti uyende now"

"Why but hazvisi fair zvamunoita" said Tamia


achinzwisa tsitsi.Mai vake vakazobvuma
ndaita zvekuvanyengerera.
Takabva tabuda kuenda kumaraini kwana
Mona.Takasvika aripo pamba pavo.

"Kwakanaka here guys"

"Kwakanaka Mona but tinr zvatiri kungoda


kukubvunza chete" said Tamia.

"Bvunzai"

"Ko paparty pangu akakutuma kuti uzouya


kutipa beer ndiani"
"Aah hapana akandituma ndakangouya
ndega kwakanaka here guys"

"Une chokwadi nezvauri kutaura here"

"Ehe asi pakabiwa here nhai ndiudzeiwo"


akabvunza.

Hatina kuda kumunetsa takabva taenda


tichimusiya akamira.Takasvika kumba
tikagara pagate.Joker akabva asvikawo.

"Eeh hot girls muri sei"


Mai Tamia vakabva vabudawo.Joker achiona
mai Tamia akabva atorova pasi.Ndaida
kumupedzera ndakangonyara mhamha
chete.

"Ko atizei uyo"

"Anopenga musiyei", said Tamia.

"Ndichambopinda mutown"said moms.

Vakaenda kutown ndikasara ndichifunga


nezvelife yangu.Kuchikoro kwangu handina
kukwanisa kutora maresult nekuda
kwechikwereti chakanyanya asi kupasa
ndanga ndakapasa zvembiri.

"Mona ari kuziva chokwadi mira ndine plan


yandikuda kuita kuti ataure but tozviita tabva
kumusha"

"Plan ipi iyoyo"

"Just wait and see"

Day rakuenda kumusha rakasvika


tikaenda.Takapesana Tamia akuenda kwana
Larry ndichiendawo pedu.

"Yeeee sis vangu vauya yeee sis


mandivigirei.Aah sis mava kuita magaro
mahombe ummm ndipeiwo zvamuri kudya"
kakadaro kaRutendo.

"Rutendo uchiri kungotaurisa nanhasi


hauchinje"

"Chimhandara changu titambire" said


mhamha pavakataura izvi misodzi yakabva
yabuda.Dai vaiziva kuti ndava churu vasiri
kutaura izvi.Ndakambundira mai vangu
ndikatanga kuchema ndakavambundira
kudai.
"Ko mwanangu waitwei zvowochema"

"Ndanga ndakusuwai mhamha"

"Mukunyepa sis last time pamakambouya


hamuna kuchema wani asi kwafiwa here
kwamabva" kakadaro Rutendo.

"Haungazvinzwisise hako Rutendo"

Takambotandara namai vangu asi


zvakandiremera kuvaudza kuti ndakarepwa
ndaizama kutsvaga way yekuvaudza
nayo.Ndakatora bag ranga rine hembe 2
dzandakatengerawo shamwari yangu
Rita.Ndakaenda kumba kwavo ndikasvika ari
busy kutaura naTamia.

"Sahwira wangu wachinja shem" said Rita.

"Handina ini"

Ndakamupa hembe dziya akanditenda


kasingaperi.

"Ko Larry masiya ari sei number dzake


dzairamba kubva nezuro" said Rita.
Takangotarisana naTamia tisina
kupindura.Apa ndakanyarara munhu aifana
kupindura ndiTamia asi akaramba
akanyarara.

"Hamuchanzwi here ndikubvunza kuti asi


Larry akachinja number here"

"Ummmm pane nyaya hombe apa" said


Tamia akatarisa pasi.

"Nyaya yei"

"Handingakwanise kuitaura ndaita mwana


mhamha ndivo vachaitaura" said Tamia.
Rita akabva achinja nyaya tikatanga kutaura
dzimwe.Ndakudzokera kumba ndakabva
ndasangana naDeviya achibva kuchigayo.

"Ana Rutendo kutoitawo tumagaro wena inga


taundi yakanaka"

"Mwari ndivo vari kundichengete kwete


taundi"ndakadaro

"Vari kuti chengeta tese.Ndafara ndakuona


ndine mashoko andiri kuda
kungokuudza.Waiti wakagona kuparadza
relationship yangu manje wakatodzva Larry
iyeye ndiye future husband yangu
zvakatoporofitwa namadzibaba
futi.Ndangokuudza nekuti ndakakuona
unoitira Larry tuma action"

Ndakangomutarisa ndisina
zvandataura.Ndakatanga kufamba zvangu
low low ndichiona nzvimbo yandanga
ndasuwa.Ndakasvika mai vangu vari
kuverenga diary rangu.Ndakapera simba
nekuti ndine zvimwe zvinhu zvandaisada
vazive....

_drop your comments_


*Watch out for chapter 12*
*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/EomLui6N677Fu4
gY1QyG0Z

*_Like our FB page_*


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587
_Edited by Memo_

*Chapter 12*

*Larry*

Ndakatoziva Ruvimbo ndiye akaudza Mai


Tamia zvekunyepa.Ndakanzwa hasha
chaidzo why achisvibisa zita
rangu.Ndakaenda kuroom kwangu
ndikatanga kurongedza hembe
dzangu.Ndakagara pabed ndichazama
kumbodzamisa pfungwa kufunga zvakaitika
paparty.

Hapana zvandakamborangarira
chandakaziva ndechekuti ndanga
ndakadhakwa.Zvandakaita paparty hapana
chandichaziva.Asi chandinoziva ndechekuti
handisini ndakarara naRuvimbo.Ndakaenda
kunorara kumba kwaJoker pakapera party.

Pandakadzingwa pamba ndakaenda kumba


kwaJoker.NaYeu tanga tisiri kunyatsa
kuwirirana.Ndakamuudza nyaya yandanga
ndapomerwa.

"Ruvimbo akabatwa chibharo chirudzii pane


nyaya apa" said Joker.

"Ehe apa zviri kunzi kanga kari kavirgin


anopenga uya munhu anga anzwa
nekurarwa kumusha akuzviti anga ari virgin
ndatomuvenga" ndakadaro.

"Larry hausiwe wakabata mwana here paya


wakazodhakwa mboko waidaidzira kuti uri
kunzwa kuda mkadzi ko wakazorara nani"

"Hapana wandakarara naye paparty paya


iwe"

"Munhu akaita izvozvo Mwari ave naye


ndarwadziwa Larry.I love Ruvimbo with all
my heart ndiye munhu wandaida kukanda
pakitchen ndobva ndadzikamawo" said Joker
achiratidza kurwadziwa.

"Siyana nemahure washaya vasikana here


nhai"

"Iwewe maitiro ako ndakazviona kare unoda


Ruvimbo kana uriwe wamurepa i will kill you
zvaMwari chaizvo.Unorepa munhu
waunoziva kuti ndoda sei"

"Iwe ndakawana nguva yekurepa nguvai


hatina kuuya tese here kumba kwako
manheru acho" ndakadaro.
"Uchiri kutorangarira zvekuti takauya tese asi
zvakaitika kuparty hauchaziye"

Takabva tachinja nyaya asi Joker anga asina


mufaro ndakazviona.Mazuva akafamba
ndikatsvaga ka one room
kekuroja.Pandakatambira handina
kumboenda kumusha kana kutumira mari
ndakatenga zvinhu zvangu.

Joker aindiudza kuti anga akuda kubvumwa


naRuvimbo asi ari kukanganisa zvinhu
ndiTamia.Yeu anga asingachadi zvekutaura
neni.
"Yeu sorry"

"Larry wakatondibhowa kare" said Yeu.

"Ndosaka ndiri kuti sorry"

"Saka wakatobvuma kuti ndiri mhondi


ndakauraya murume nhai"

"Handina kuzvibvuma babe vanhu ava vari


kuda kutipesanisa"

"Ndakanzwa kuti wakarepa waka....",


"Handidi kuinzwa nyaya iyoyo
ndezvekunyepa yanga iri plan yavo yekuda
kundidzinga pamba pavo" ndakadaro.

"Ndakazviona kuti maiguru vako vari evil


saka nhasi toenda tese kumba kwako ndoda
kuona paunogara" said Yeu.

Patakachaisa takaenda tese kumba


kwangu.Akapafarira yanga ingori one room
ya ndaishandisa.Akuda kubuda
ndakamupushira pabed ndikakaita chivanhu
chacho hakangadzoke ndisina kurova
zvinhu.
"Nhasi ndiko kekupedzisira kurara newe
wazvinzwa ka" said Yeu.

"Why asi wakuda kuita move on"

"Chaunoda pandiri kungorara neni haundide


wakangochiva body nekunaka kwangu
pandiri otherwise hauna rudo neni"

"No babe ndokuda paweekend toenda


mutown ndokutengera zvaunoda"

"Ndoda kuroorwa ini ndakuda tiite musha


wedu tosvika rini tichiita izvi"

"Babe usatya ndiri kugadzirisa nyaya


dzacho"

"Ndozvaunongotaura hapana action


yaunomboita asi zvekuda kurara neni ndizvo
zvaunoda"

Yeu akabva atobuda kuenda.Nhau


yaindimisa inyaya yekuti ndaida kuona kuti
ane problem yekusaita mwana pakati pedu
ndiani.Joker akabva asvikawo.

"Mudhara muri kufungei" akabvunza.


"Yeu ari kundipa pressure yekuti ndimuroore"

"Muroore kana uchimuda tevedza zvoda


moyo wako"

"I love her but ndoda kutanga ndaona kuti


ane dambudziko pakuzvara ndiani"

"Mwana uya igetsi roora shaa ukapusa


uchabvutirwa nembinga dzekubasa
uko.Iwewe kanda mwana pakitchen asi
unozoita muchato kana azvara."
"Point yawataura iri right asi ndichambo
mucheater ndoda kuona ane dambudziko
pakuzvara"

"Unoita zvinhu pasi pemvura"

Ndakatanga kuunganidzawo mari


yekuroora.Ndaiti ndikabva kubasa ndoitawo
tuma piece jobs.Yeu handina kumbomuudza
hangu ndaida kuzomurova nesurprise
chaiyo.Aikodzera kuroorwa nemari
yakawanda chaiyo nekuti mwana aiziva
zvanoita iyeye.

Rimwe zuva ndabva kubasa ndakatanga


kufunga chiporofita chaMadzibaba Pita
vachiti ndaona wabudirira.Ko sei zvinhu
zvacho zvisingaitike.Moyo wangu wakabva
wandipindwa nepfungwa yekuenda
kunobatsirwa.Ndakanzwa kuti pane vamwe
sekuru vaigara Chiredzi.Panga pane
mufambo zvaireva kuti ndaifana kuhire taxi
yandinoenda nayo.

Ndakatozviudza kuti ndaizoendako


paweekend.Ndakabuda kuenda kumashop
ndichida kunotenga chingwa ndikasangana
naRuvimbo akabatwo
chingwa.Akandimhoresa ndikamu ignowa
akabva atanga kuseka.
"Iwewe tikasangana usatondimhoresa uri
mhandu yangu wanzwa here"

"Ndiri mhandu yako pakudii nhai"akabvunza


Rue

"Wakasvibisa zita rangu"

"Ukwane wanzwa asi ndiwe wakazviita


here.Handidi zvekujairirwa wazvinzwa
nxaaa" akadaro Ruvimbo achiita kudaidzira
zvekuti vanhu vakabva vatitarisa.

"Saka kupopota ndokunei ndichikurepa kuti


ndashayei ndine musikana wangu akatonaka
kupfuura iwewe"

"Handina kana basa nazvo.Chimusikana


chako chakashata chakura futi, chine malips
anenge mabvi en'anga ukure uchine
kachimusha musha kari mauri ooh shem
hautonyari" said Ruvimbo.

Mashoko ake akandinzwisa hasha.Ndakuda


kumurova ndakaona ruoko rwabatwa
ndakacheuka ndikaona ari Joker.

"Hatitambe tichidaro Larry" said Larry.

"Haaa iwe ndisiye hure iri roda kufarisa ndini


ndakamuunza kuno kuti azive town akuda
kushamisira sezvinonzi akanaka"

"Usandi compare nemusikana wako


hure.Ndiwe wakandiunza kuno here usada
kunyepa wanzwa kana zviri zvefight ndotoda
haundirovi iwewe kushata" said Ruvimbo.

Joker akangotora Ruvimbo akamuperekedza


kumba.Vaviri ava vairatidza kuti vakuwirirana
ndisingazozive kuti vanodanana
here.Ruvimbo ndaida kumbomudzidzisa
lesson yaasingafi akakanganwa shuwa
angandinyadzisa pakazara vanhu.Apa ndiye
akaparadza relationship yangu naDeviya
negodo rake anofunga handizvizive.
Ndakazombotenga chingwa chacho
here.Ndakaenda kumba kwaYeu ndikasvika
sis vake vatoripo.Kaiva kekutanga
kuvaona.Vanga vakafanana kungoti Yeu
anga akanaka kuvapfuura.

"Muri sei maiguru Sharon"

"Ndibamuninu Larry here wandingonzwa


nemupfana wangu wagona wauya
itonditengera drink"

Ndakangovapa mari yedrink takapinda


mumba Yeu aiva busy kubika.
Asi makapfekero anga akaita sis vacho
handina kumafarira airatidza kusandi
respectawo.But haisi mhosva yavo vanogara
vari 2 girls saka vanopfeka zvavanoda vari
pamba sezvo panenge pasina boys.Vanga
vakapfeka kamini kekuti ndega
ndakatomboshatirwa.Vakasimuka vakaenda
muimwe room vakabuda vasunga Zambia
ndakanzwa kusunungukawo.

Handina kumbogarisa ndakabva ndatoenda


kumba kwangu.Weekend ichisvika ndakahire
taxi yangu ndikaenda kuChiredzi.Ndakasiya
mota yakamira padust road ndikafamba
netsoka kupinda mukasango paiva nemba
yavo.Ndakashaya sei vaigara musango
makadai.Ndakasvika vasipo pangori
nemwana wavo akati vanobatika pakati
peweek nekuti vanenge
vakawandirwa.Ndava kubuda ndakabva
ndasangana navo vachisvika.Ndaisavaziva
asi ndakazoitwa zvekushevedzwa nemwana
wavo achiti vadzoka.Ndakanogara
pandakanzi ndigare mukaimba keuswa
manga makaita karima.

"Muzukuru unoda kubatsirwa nei"

"Ndiri kuda kuita mari ndiri mudiki


ndaingoudzwa kuti kumberi ndaona
wabudirira saka why zvinhu zvacho
zvisingaitike"
"Wagona wauya muzukuru ini ndini ndichaita
kuti zviitike.Asi kuti zviitike uchafana kuita
zvandichataura tiri kunzwanana here" said
Sekuru Urimbo.

_drop your comments_

*Watch out for chapter 13*


*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/EomLui6N677Fu4
gY1QyG0Z

*_Like our FB page_*


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 13*
*Ruvimbo*

Pandakasvika ndichiona mai vangu vakabata


diary rangu ndakarohwa nehana.Ndaida
vasatanga vaziva zvekubatwa chibharo
kwangu ndaiziva vaizorwadziwa
zvakanyanya.Lucky vanga vasati vasvika
page racho ndakatora kadiary kangu
ndikakabata.

"Watorerei handisati ndapedza kuverenga"

"Aaah mhamha hazviite"


"Asi mune zvisingaite kani Rue"

"Aaah mhamha"

"Unozviziva here kuti baba vako vane


mumwe mkadzi" vakadaro mai vangu
vachiratidza kurwadziwa.

"Mazviwana kupi mhamha"

"Ndakaudzwa neshamwari yavo zvakaoma"

"Ndatovavenga vakatadza kumirawo nemi


panyaya iya"ndakadaro.

"Tozvisiira kuna musiki.Ndakarota iwe une


nhumbu uchichema hope idzi ndakaziva
zvadzinoreva hangu chero hangu
ndisingagoni kududzira hope"

Pavakataura zvehope dzavo ndakarohwa


nehana.Pfungwa dzakafunga kurepwa
kwandakaitwa nemunhu wandisiri kuziva.

"Ndinozviziva wakura kusvika pazera


rekuitawo mukomana asi sisi vharai
makumbo.Makumbo aya anovhurirwa kune
munhu auya kukubvisira pano tiri
kunzwanana here.Ukangoita kamimba
kasina baba usatombotsika pano handidi
zvekunyadziswa muraini muno"

Ndakangogutsira musoro chete.Kutaura


chokwadi ndanga ndisisina
kugadzikana.Ndaingonamata kuti dai
ndikasaita nhumbu.Ndakazorara
ndakuzvisimbisa kuti andimboite nhumbu.

"Sis Rue mukufungei" kakabvunza


kaRutendo.

"Hapana hangu"

"Kunyepa ndiri kuzviona muri kufunga


mukomana wenyu"

"Rutendo nyarara kana usina nyaya


mukomana upi waunoziya" ndakadaro.

"Ndamboti ndomuziva here ndiri


kungotaurawo"kakadaro kaRutendo

Takangoita week tikabva tadzokera kutown


naTamia.Tamia akafonera Mona achimuti
asvike pamba ameno plan yaanga
afunga.Mona wacho akatouyawo
zveshuwa.Ndaingovaona vachitaura
naTamia ndisingazozive vaitaura nyaya
dzei.Ndakafamba kuenda kunogara kwavari.
"Mona ndiudze ndiani akakutuma
kuzotidhakwisa" akabvunza Tamia.

"Pasi pano chemahara izuva chete.Kana


muchida nditaure munofana kugura mari
yakawanda kupfuura yemunhu akandituma"
kakadaro.

Ndakanzwa hasha saka munhu ari kuziva


munhu akandirepa achinyarara hake apa
akuda kubhadharwa.Ndakasimuka kuenda
paari.

"Taura ndiani"
"Ndofunga manzwa zvandataura asikana
mozondifonera kana marongeka"

Akasimuka akatanga kufamba ndakamubata


ruoko ndikamudzipa huro ndakamupushira
kumadziro.

"I will kill you kana ukasataura uchida mari


enda unoshanda wanzwa here iwe bitch"
ndakadaro ndatsamwa.

"Rue unouraya munhu hona haachafemi"

Tamia ndiye anondibata ndikaregedza


Mona.Mona wacho anobva abuda
achimhanya.Takamusiya akadaro
ndakatanga kuchema.Why Mwari life yangu
ichirwadza.Kukura kwangu ndaizvichengeta
ndichiti ndachazopawo humhandara kune
munhu achandiroora asi zvakaenda
nepasipo.

"Rue usachema uri kundirwadzisa please


ndichaita plan yekuti ataure Mona haanetsi
uyo"

Tamia akandinyaradza ndikabva ndatorara


pasofa.Mai Tamia vakadzokera kubasa
kwavo.Pandakasangana naLarry achida
kuonererwa ndakamutuka.Ndanga
ndakunzwa kakumuvenga handizive
chii.Ndaitoti pandosangana naye ndaifana
kusiya ndamutuka chete.

"Ko akazotaura here Mona wako"

"Ari kunetsa uyu hanzi munofana kugura


mari"

"Ari kuda marii"

"$100US"

"Yohwee anofunga kuti mari inonhongwa


here toiwanepi mari yakawanda kudaro"
Kuwirirana kwandaiita naJoker yaiva way
yekuda kusvotesa Larry.Ndaiziva
anorwadziwa nekuti anondida chero hake
asingadi kutaura ndakazviona.Joker
akatoona kungaa ndava kutomuda.

"Rue this time ndoda undinzwisisewo please"

"Watanga nyaya dzako handidi kuzvinzwa


hangu"

"Why usingazvioni kuti ndokuda why"


"Handina mafeelings newe please leave me
alone"

"Ndak....."

"Joker handidi zvenoise newe wanzwa here"

Joker akabva adzoka akatya kuti ndogona


kumutuka zvandaita Larry.Ndaitoshaya kuti
chii chaitika pandiri.

Mazuva akafamba Larry handina kubvira


ndazomuona.Chero ndamuvenga asi
ndainzwa kakumusuwa.
"Rue kurara kwacho hauneti here amana"
kakabvunza Tamia.

"Aaah handina kumborara nguva yakareba


ko wandivigirei kubva kuchikoro"

"Kuchikoro kungawanikwei kunze


kwemabook"

"Saka ukundiudza kuti wabva kuchikoro uri


mundege here"

"Ndege ipi"
"Watozvinzwa zvandareva ndege haikwanisi
kumira pamashop ka"

"Rue chiii waida kutengerwei"

"Obvious polony"

"Irimo wani mufridge"

"Handide yepork ndoda yebeef ini"

"Okay mira ndichinje ndinotenga"


Tamia akachinja akamhanya pashop pasina
nguva anga atodzoka.Akandipa ndikabva
ndaisa mufridge kuti imbotonhorera.

"Ko sei usiri kuidya"

"Ndoda imbotonhorera iwe ndichaidya time


time"

Kwava kusviba takanzwa knock


pagate.Ndakaenda kunovhura ndikaona ari
Joker.Mkomana uyu akuziva kuti togara tega
ndosaka akuuya panodira ndakasvotwa
nazvo.

"Ndokubatsira nei ko Larry wamusiyepi"


ndakazobata muromo ndatotaura kare.

"Ummm Larry ariko kumba kwake handei


kana uchida kunomuona"

"Iwe hauna kupindura ndati ukudei handina


kumboti ndoda kuenda kumba kwaLarry"

"Ndakusuwa ndanga ndauya kukuona


ndakutengera izvi"
Ndakatambira paper bag riya ndikaona
maiva netunonaka.Ndakatofara zvisingaite
nekuti ndaitudawo tunonaka mazuva
aya.Handina kuona kuti ndakamumbundira
nguvai ndakanzwa maoko ava kufamba
kumagaro kwangu ndipo
pandakapepuka.Kutaura chokwadi
ndakanzwa kunyara nekuti ndaito imaginer
ndina crush wangu.Ndakamupusha ndakuda
kumhanya mumba ndikaona Tamia akamira
paveranda achiratidza kuti aona zvese.

Ndakanzwa kunyara zvisingaite.Joker wacho


haana kumbomira akabva atorova
pasi.Tamia haana kutaura neni akangopinda
mumba ari zii.
"Tamia"

"Chii"

"Zvauri kufunga hazvisizvo"

"Hazvina basa hanty ilife yako here ita


zvaunoda nayo"

"Tamia please ndinzwisisewo"

Ndakagara paside pake ndikatanga


kumutsanangurira asi hapana
zvaitonzwisisa.

"Chimbozvibvunza kuti why iye Joker ari


kuramba ari take take newe pese panouya
anokutengera something.Ndiye akakurepa
plan yake yanga iri yekuti uite nhumbu
hazvishamisi pamwe wava nayo"

"Tamia"

"Uri kundihwandisira iwewe pamwe


makabvumirana kurara mese.Ndakuona
uchibatwa magaro panze apo sei
usingandiudzewo kuti modanana pane
pandichatora mkomana wako here.Inga
vakomana vanondipfimba ndinokuudza wani"
said Tamia.

"sorry ndanga ndichi imaganer ari Larry ini


aah sorry nda..."handina kupedza Tamia ava
kutoseka.Mwana akaseka hake zvekuti
ndakagumisira ndakuseka.

"Une mafeelings namkoma vangu


ndakazviona kudhara but haufani kungo
imaginer zvinhu zvakadai pese pese.Joker
uyo handimufarire hangu"

Takazodya tese chikafu chandanga


ndapihwa naJoker tikapedza.Ndakaenda
kunotora polony yangu pandakaingovhura
hwema hwacho hauna
kundiitira.Ndakamhanya ndikanorutsa
panze.Ndakarutsa zvekuti ndakasara
makumbo angu asisina simba.

"Rue are you ok"

"Hwema hwepolony hunomisa moyo wangu"

"Okay handei unorara hapana pari kurwadza


here ndikupe mapaineez"

"Ndikuda La..Rita ini"

"Sis Rita here"


"Ehe ndamusuwa"

"Okay mira nditarise kana foni yangu ine


mari ndivafonere"

Akazama asi foni yaRita yacho


yairamba.Ndakatora yangu ndikafonera Mai
Rita vacho.

"Aaah wandifungawo nhasi Rue"

"Ndagara ndokufungai mhamha"


"Unonyepa kuri sei ikoko vari sei vamwe"

"Mhamha ndafara kunzwa voice renyu ko


besty wangu aripo here ndazama foni yake
ikuramba"

"Rita hasisina foni uyu yakadonhera kurwizi


uko.Mira ndimupe utaure naye"

"Makoti wami warova" said Rita.

"Watanga Rita handisi makoti wako"


"Asi ndave nemukwasha here zvandava
kurambwa kunzi handisi makoti wako"
akadaro Rita achiseka.

" Eheeee avako" akadaidzira Tamia.

Foni yacho yakabva yadzimawo yanga


isisina moto.Tamia akamufonera pafoni pake
achiti auye mangwana.Rita akatanga
acharamba akazobvuma mafariro andakaita
panguva iyi kana Tamia akatoshamiswa
nazvo.

"Zvichiri zvega here kana patova


nekamunhu"
"Kamunhu kapi uri kuti chii Tamia"
ndakabvunza.

"Hapana zvandataura"

"Tamia taura zvawataura"

"Ndangoti mangwana toenda kuchipatara"

"Asi uri kurwara here"

"Yes unondiperekedza ka"


"Haaa ini i hate zvekuenda kuchipatara
unoenda wega ndoda kunogarira Rita"

"Unoda Rita kupfuura inini nhai"

"Ndadaro nguvai nhai"

"Okay yapera toenda tese na Sis Rita vacho"

Rita akasvika makuseni seni


tisingafungire.Tamia anga asati atoenda
kuchikoro.Rita achindiona anoramba
akanditarisa kubva kutsoka kusvika
kumusoro ndakashaya kuti aonei.Akauya
pandiri akabata ruoko rwangu ameno
zvaitarisa.Akafugura dumbu rangu
ndakazongoona munhu abata muromo
akavhura maziso sekunga aona
zvinoshamisira.Tamia nekusada kusarirawo
akauya kuitawo zvaita sis vake ndakapotsa
ndamupa mbama asi ndakazvidzora
hangu.Zvakatoita Rita naTamia handina
kuzvifarira iye Rita anosvika nekuvhura
dumbu rangu asina kundimhoresa sei...

_drop your comments_

Watch out for chapter 14


*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/EomLui6N677Fu4
gY1QyG0Z

*_Like our FB page_*


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
*Chapter 14*

*Larry*

"Kuti zvaunoda zviitike uchafana kuita


zvandichataura tiri kunzwanana here
muzukuru" vakadaro Sekuru Urimbo.

"Ndiri kuzvinzwa Sekuru"

"Ndoda kutanga kukubvunza mibvunzo miviri


chete.Uchasarudza zvaunoda pamibvunzo
yandichakuudza"

"Ndakaterera Sekuru"

"Unodei pazvinhu izvi kuuraya wedzinza rako


wotanga kungoona mari yakazara mumba
maunorara kana kuti ndokupa tsvimbo
woenda nayo unoisa mugate munenge
makazara cooking oil" vakambomira kutaura
vachikosora.

"Ndoda yetsvimbo iyo sekuru"

"Zvakanaka muzukuru unoshanda ka iwewe


mari yauchatanga kutambira neyose
yawakachengeta uchauya nayo yese
kwandiri.Pauchatambira kechipiri unouya
nayo kwandiri.Yechitatu unouya nayo
kwandiri futi netsvimbo yangu yauchazoita
kuenda mberi ndiyo yako tanzwanana here"

"Maita basa ndanzwisisa chandafarira


ndechekuti iyi haina ropa mukati"

"Muzukuru unofana kutevedza zvandataura


ukangotyora mhiko ropa rinodeuka"
vakadaro hana yangu ikarova.

Ndakamboda kuti handichadi asi face


yaSekuru vacho haiudziko
izvozvo.Ndakatozvipira kuita zvinhu zvacho
nemazvo.

"Muzukuru ndava kudzokorodza kutaura


nyatsa kutereresa.Ndati mari yekutanga
unouya nayo yechipiri unouya
nayo.Yechitatu unouya nayo zvese
netsvimbo yangu.Yauchazowana kumberi
uko yava yako"

Kana munhu asina kuenda kuchikoro


aitonzwisisawo izvi.Hapana mhiko
dzandaimbotyora apa.Ndakapihwa tsvimbo
yacho yaipenya.Ndakarova pasi ndakasvika
kutenga gate ndikarizadza necooking oil
ndikabaira tsvimbo iya.Ndakatoisa pekuti
hapana aimboiwona.
Mari yandaida kunobvisira Yeu
yakandirwadza kunopa Sekuru asi ndaiva
ndisina option ndaizoenda nayo.Mwedzi
wakasvika pakupera pay yangu yese
nekamari kandaida kunorooresa ndakaenda
nayo kunopa sekuru.Ndaisada kuvapa yese
asi ndakatya kudeura ropa kuzongavapa
yese.

Ndanga ndava nestress nemari yerent


yekutenga chikafu yekutenga magetsi zvese
nemvura.Ndakabata musoro kuratidza
kugumirwa panguva iyi.Yeukai naJoker ndivo
vakauya mupfungwa dzangu.Asi ndakaona
Yeu aisambondinzwisisa ndakasiyana
naye.Ndakaenda kumba kwaJoker
ndikasvika akavharira kamwe
kamusikana.Iye akafunga kuti handina
kuzviona akabuda kuuya panze.Asi handina
kuona musikana wacho mupfungwa dzangu
makauya Ruvimbo.Ndakavhura door
zvehasha ndikaona aisava Ruvimbo moyo
wangu wakabva wagadzikana.

"Ko ndochii chaunoita unoda kuonera


musikana wangu asina kupfeka here"

"Ndanga ndafunga kuti ndiRuvimbo"

"Ko dai ari Ruvimbo waida kuita sei"


"Ane chirwere uya asi hauzvizive here"

"Are you serious"

"Yes shaa ndaita dambudziko"

"Moita dambudziko rei takabva kutambira


zuro uno"

Kamusikana kaya kanga kakatopfeka


uniform kakabuda muroom maJoker ndipo
pandakaona kuti ndiMona.Kana iye akanzwa
kunyara achindiona nekuti ndairoja pamba
pavo.Ndaisafungira kuti mwana uyu
anoitawo zvakadai ukamutarisa unototi
munhu musvinu.Ndiwo mazera amwe
naTamia.

"Taura nyaya yako"

"Ndibatsirewo shaa ndabirwa pay yangu


yese ndiri pama1" ndakadaro.

"Usanyepa iwe"

"Ndakambonyepa nezvinhu zvakadai


kutanga rini"
Ndakamunyengerera kusvika andipa ndikati
ndaizomudzorera next month.Ndakaenda
kumba ndichimhanya ndikabata Mona
muroad asati asvika..

"Mona ndiwe here"

"Hapana zvatamboita paya"

"Ndanyarara but hazvina kukufita"

Haana zvakataura aingonyara ndakapinda


muroom mangu.Ndakazopa mai vake mari
yerent neyemagetsi.Yanga yasara ndeye
mvura iyi ndaida kuiwana kuna Yeu manje
anondipa here.

Ndakamukira kuenda kubasa zvinhu


zvaifamba zvakanaka.Ndanga
ndakutopihwavo respect pabasa.Manager
wangu aidada neni zvisingaite.Pese
pandaishevedzwa paita fault ndaisiya
ndapedza dambudziko.Vamwe vanhu ndivo
vakatangawo kurwadziwa neni kuti mupfana
akauya zuro uno ndiye ava kuda kutopihwa
chipost chakapfuura isu takashanda kare
pacompany.

Ndakasangana naYeu takuenda


kumba.Ndaishaya ndopinza nyaya yangu
sei.
"Larry mazuvano uri kudhura"

"Babe ndiri kuunganidza mari ndoda


kukubvisira you deserve kubvisirwa nemari
yakawanda iwewe unoziva zvaunoita
wakatosiyana nevamwe vasikana"
ndakadaro.

Kungomudaro mwanasikana
akanyemwerera.Musikana ukamurumbudza
anofara zvisingaite.Kana kumuti skin yako
kubva waita kacheche kudaro haa unogona
kushandisa mvura.

"But ndaida dambudziko ndiwe ungakwanisa


kundibatsira"

"Inyaya yei"

"Ndikweretesewo mari"

"Hezvo iwewe wava kuhora mari yakapfuura


yangu"

"Ndakuudza mari iyoyo ndakaichengeta


kunobvisira yerent chaiyo ndaipihwa
naJoker"

"Hiiiii shuwa here daddy okay ndokupai"


Takasvika pamba pake akandipa ndikarova
pasi ndaisada zvekusangana nasis vake.Dai
ndakasangana navo vaitonetsera yedrink
apa ndiri broke.Asi Yeu hapana kana change
paari ndaitarisira kuonawo kadumbu.

Mazuva haatane kufamba ndakasvika


pakutambira ndikaendesa futi mari yese
kwaSekuru Urimbo.Ndaisara ndisina kana
mari zvekuti mazuva aya chikafu mumba
ndanga ndisisina.Kungoti ndaiponerawo
kubasa kwandaidyira.Ndanga ndakudyawo
nemashefu.
Ndakamboita tumazuva ndisati ndabhadhara
mari yerent.Ndakazongonzwa ndadeedzwa
namai Mona.Ndakatoziva kuti inyaya yerent
chete.Ndakanogara mudinning mavo.

"Mazuva afamba dai mandipa kamari ndiri


kuda kuishandisa"

"Ummm pane zviri kuitika I promise ndokupai


manheru"

"Okay"
Ndakabva ndabuda ndikatanga kufamba
ndichitevedza road pfungwa dzaiva kure
ndaisatomboziva kwandaiyenda.Ndakabva
ndasanganawo naJoker.

"Mudhara chindipai mari yangu iya" said


Joker.

"Ndizvo zvazvinoitwa here nhai"

"Hauna kuti uri kundipa wahora here.Iwewe


waishanda nema over time saka mari yako
yakawandisa"
"Joker haungambozvinzwisise.Mari yako
ndokupa next month ukatoenda kumba
kwangu handitorina chero chikafu chekudya",

"Chiii chikuitika asi Yeu ari kutora mari yako


kani"

"Yeu haasi kutozivawo uyu handidi


kumuudza"

Ndakambofunga kuudza Joker


kwandaiyendesa mari asi ndakazofunga kuti
isecret yangu hapana anofana
kuzviziva.Ndakanyengerera Joker kuti
andipewo kamari asi akarambisisa aiti tanga
wadzosa yandakakupa.Ndakagumisira
ndasiyana naye.Ndakatengesa foni nemari
yakati wandei.Yerent yakabva
yatokwana.Mafoni ndichatenga akawanda
ndaita mari hangu.

Ndakadzoka kumba ndikapa Mai Mona mari


yavo.Mai Mona vakabva vabuda vachiti
vakupinda mutown kwanga
kwakusviba.Ndakarara pabed pangu ndipo
pandakanzwa noise panze.Ndakabuda
ndikaona Ruvimbo naMona
vairovana.Ndakatoshaya Ruvimbo auya
kuitei audzwa nani pamba apa.Ndakabata
fight yacho.

"Larry usandibata hure iri rinoda


kubhadharwa pakudii kuti andiudze munhu
akandirepa ndomukuvadza uyu"said
Rue.Ndakatoshaya Rue akatanga kuda
zvenoise rini ndaiziva ari munhu
akadzikama.

"Ruvimbo handitambi newe handidi


zvekuenderwa mberi ugare wasiyana
neni.Ehe ndiri hure ndakahura nababa vako
ndikazvara iwewe" kakadaro Mona anga
asinawo mukanwa.

Kana neni mashoko akataura Mona haana


kundifadzawo.

"Mona unatanga wafunga usati


wataura.Pane mamwe mashoko asingaite"
Ruvimbo ndakaramba ndakamubata.Mona
akabva angoridza tsamwa achipinda
mumba.Ndakaregedza Rue ndikatanga
kufamba kuenda kuroom
kwangu.Ndakashamisika kuona Rue
achinditeverawo akasvika kupindawo.

"Uri kudei iwewe handidi kukuona wanzwa


here wakafara wakandidzingisa pamba"
ndaitaura ndakamutarisa.Ndakanyatsa
kuona mwana aiwedzera kunaka apa
aumbika.Ndakamedzera mate zvekuti
ndakatombomugaira horror.Akabuda asina
chataura ndakada kumutevera ndikamusiya
akadaro.
Ndakazoona munhu akudzoka achimhanya
achichema akasvika kundijambira tikadonha
tese pabed.

"Hiii ndaona nyoka" akadaro achichema apa


aiva pamusoro pangu.

Zvekuda kumuitira hasha ndakazviisa paside


ndiri pana Ruvimbo ameno
zvandaingonzwa.Pamwe ndiwo atinoti
mafeelings here hameno.

"Iwewe waifambirei wega hona kwatosviba


woenda mangwana" ndakadaro.
"Please Larry ndiperekedzewo ndikutya
nyoka yandaona panze apo"

Handina kumboita nharo


naye.Ndakamuperekedza aifamba akati
kwati kwati neni ini wacho ndakanzwa
kuzvifarira.Ndaito imaginer ari Yeu
wangu.Takasvika pagate akaknocker
ndikashamisika kuona Rita achivhura
gate.Achingondiona akangoti "mwana wamai
vangu" achindimbundira....

_drop your comments_


*Watch out for chapter 15*
*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/B7uIsp8mHiZ3wU
lLeoDcKW

*_Like our FB page_*


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587
_Edited by Memo_

*Chapter 15*

*Ruvimbo*

"Ruvimbo imimba ka iyi wakaitei iwe" said


Rita.
Hana yangu yakatanga kurova panguva
iyi.Maziso angu akatanga kujenga misodzi
panguva diki iyoyi.Tamia anga abatawo
muromo zvekuratidza kushamisika.

"Handina mimba ini watadza kuona Rita"

"Sis Rita vari correct ndosaka paya ndaiti


ngatiende kuchipatara nekuti pane kachange
kava pauri Rue imimba chete"

"Toenda handina mimba ini"

Takabva tatobuda kuenda kuchipatara asi


mashoko andakaudzwa naDoctor andina
kumatambira.Ndakachema ndoita mwana
asina baba here nhai.Ko Mai vangu
ndichavati kudii.

"Handina nhumbu ini ndezve fake izvi"

Tamia ndiye aingondinyaradza ndakatenga


kapreg test ndikaenda kumba.Ndakazvitarisa
zveshuwa ndaiva nemimba ndakarwadziwa
zvekuti chikafu chemanheru
ndakachiramba.Ndaiona hupenyu hwangu
hakuna kwauchaenda.Obvious basa
rotopera mwana wacho ndomuchengeta
nei.Rita aisataura neni anga angori zii
akabata shaya.
"Ruvimbo unoda kusvika rini uchichema
chingozvitambira ndozviripo asi wava kufana
kuudza baba vemwana ari
mudumbu"akadaro Rita akanditarisa.

Ndakawedzera kuchema ko baba vacho


ndaivaudza sei vandisingazive.

"Sis Rita pane nyaya hombe baba venhumbu


hapana anovaziva neku...." Tamia akakatwa
asati apedza kutaura.

"Tamia ndiwe une nhumbu yacho here.Siya


azvitaurire ega unoziva Ruvimbo andina
kana kumbofara ko mai vako vachanzwa sei"
"Rita ndoshaya ndokuudza sei ndaifunga kuti
uri kuziva nyaya yacho.Mai Tamia naTamia
vaifana vakakuudzai"

"Inyaya yei"

Ndakatsanangura zvese zvakaitika


nekuzodzingwa kwakaitwa
Larry.Ndakangoona Rita ava kuyeredza
misodzi.Ndakashaya kuti ari kuchema
kundinzwira tsitsi or ari kutochemera
hanzvadzi yake.

"Tamia namai vako ndizvo zvamakatorera


Larry kuti muzomudzinga here"

"Ndini ndakamudzinga here zvamava


kundipopotera.Larry anga agara ane nyaya
dzake dzaitonetsa pano ndosaka
akafungirwa kuti ndiye akarepa Rue"

Rita akaramba akanyarara ari


pafoni.Takazongoona munhu atobuda atina
kuziva kuti akaendepi.Chatakaziva
ndechekuti ari padhuze nekuti bag rake raiva
mumba.Pfungwa dzangu dzanga dzatova
kure ndichifunga kuti ndoita sei.
Pfungwa dzekubvisa mimba ndidzo
dzakandipinda.Ndaisada kuzoita chisekeso
muvillage nekamimba kasina baba.Ana
Deviya vanenge vatowana nyaya
yekutaura.Uyu Rita akuratidzawo kuti
hachandide.

Handizive ndakabatwa nehope nguva


ndakagara pasofa ipapo.Ndakazopepuka
ndakatofukidzwa blanket ndakaziva
ndiTamia.

"Rita haasati adzoka here"

"Adzoka uyu ari mukitchen"


Ndakaona Rita akubuda mukitchen akabata
plate ine chikafu akanditambidza.

"Sorry nekukuitira hasha kungoti ndanga


ndatsamwa ndaverenga dairy rako ndiko
kunzwisisa kwandazoita" said Rita.

"Ndoda kuibvisa ini"

"Bvisa pfungwa iyoyo mwana iyeye haana


chitema"said Rita.

"Ndomuchengeta sei uye ndichigara kupi


mhamha vangu havambonditambiri
ndochokwadi"

Rita akandisimbisa hake asi ini pfungwa


dzaisava panzvimbo.Tamia akauya kugara
paside neni akatanga kundipakisa.

"Aaah Tamia mira ndodya ndega"

"Ndaona usiri kudya ini unoda kuuraya


kamwana kedu kari mudumbu" said Tamia
achisekerera.

Ndakadya kusvika ndapedza ndikabva


ndatorara.Makuseni ndakamuka basa rese
raitwa.Ndakatoona kuti andichakwanise kuita
basa ndakufana kudzoka kumba.Ndakaisira
Mai Tamia ndichavaudza kuti ndasiya basa
ndakuenda kumba vakati ndimire kuenda
kumba vanoda kutanga vandiona.

Zuva rava kuvira ndakabuda ndichifamba


ndichiswatudza makumbo.Ndipo
pandakasanganawo naMona.Ndakatanga
kunetsana naye.Ndakapererwa ndichiona
Larry achibudawo mumba mana Mona.

Ndakatoziva kuti ndipo paigara.Ndakapinda


muroom make ndikaona maiva
makarongeka.Pandanga ndakuenda kwanga
kwasviba ndaitya kuenda kumba
ndega.Ndakanyepera kunga ndaona nyoka
ndaida aindiperekedze Larry.Ndaida futi
aonane nesister yake.Tsoro yangu
yakabudirira takaenda tese but aiva ari zii
ameno aifungei.

Ndakasvika kupinda mumba Larry naRita


vakasara panze.Pasina nguva vakabva
vapinda asi Larry ziso rake raisabva pandiri.

"Larry ndafara ndakuona asi ndine


mubvunzo" said Rita

"Bvunza"

"Ndiwe wakarepa Rue here"


"Rita usada kundibhowa.I know Ruvimbo
ndiye akuudza izvozvo ndomurepa kuti
ndashayei ndine musikana wangu
wandikuda kutoroora wanzwa here"

"Usada kundijairira Larry kana usina nyaya


nyarara.Wakapusa ndosaka uri kudyiwa mari
uchiti unodiwa hahahaha" ndakapindurawo.

"Ruvimbo unofarisa ndakazviona


unorwadziwa naYeu nekuti she is better than
you pazvese.Rue usafunga handizvioni kuti
unondiitira tuma actions kuti ndikunyenge
manje gara pasi handinyengi munhu asati
akugona kugeza"
Larry achipedza kutaura mashoko ake
anotanga kufamba kubuda.Ndakatora
remote ndikamutema nayo.Anouya kwandiri
nehasha achida kundirova akabatwa
naTamia.Tamia anopushirwa pasi obva
adonha.Rita ndiye anozobata Larry.Hasha
dzandanga ndinadzo panguva iyi dzanga
dzakanyanya.Ndakamurova mbama
kumusana akavarairwa Larry.

"Ndakambokuitira ma actions kupi.Utaure


zvaunoziya iwe mupengo siyana nelife yangu
I hate you nxaaa"

Ndakabva ndaenda kunozvivharira muroom


mandairara.Ndakasvika kuchema
ndichifunga mashoko ataura
Larry.Ndaingonzwa voice raRita riri
pamusoro airatidza kuti akupopotera
Larry.Andizive ndakazobatwa nehope
nguvai.Ndakapepuka kwatoedza ndakatanga
kurongedza hembe dzangu mubag.

"Wafunga kuendepi Rue"akabvunza Tamia.

"Kudzoka kumba kwedu"

"No usadzoka please"

"Mhamha vako ndakavaudza vanouya nhasi


ndivo vanga vakatondimisa.Tamia hapana
pandicharamba ndichishanda pano uri kuona
ndava nenhumbu ndava nehusimbe saka
ndatoona best way kuenda kumba"

"No hazviite uyende gara pano"

Tamia akaswera akanditsamwira.Mai vake


vakasvika masikati asi vaitoratidza kuti
havana mufaro ndakashaya kuti chii.

"Ruvimbo wakandinyepera kuti wakarepwa


iwe uchiziva hako zvawakaita.Ndakadzinga
mwana wemunin'ina wangu pano nekuda
kwemanyepo ako why why inga ndaikubata
zvakanaka wani" said Mai Tamia
ndakatoshaya chava chii futi.

"Umm muri kuti chiii handisi kukunzwisisai"

"Zvamunosara muchiita pano


ndinozvinzwa.Waiita basa rekupinza Joker
mumba mangu usafunga handizvizive ndiye
wawakarara naye ukanyepera Larry"

"No mhamha hazvisizvo Rue


haadaro.Ruvimbo haana kubvira ati
akarepwa naLarry nda...." uyu aiva
Tamia.Rita anga ari zii.

"Pfutsek mhani wanzi utaure nani.Ruvimbo


handina kuzvifarira ndatoona hazviite kuti
urambe uchishanda pano.Ndakazviona
ndosaka wakaramba kuenda kuchipatara
day riya dai wakarepwa wakabvuma kuenda"

Mai Tamia vakandipa mari yanga yakawanda


ndikavati mandipa mari yakawanda asi
vakandi ignowa.Ndakashaya kuti Mai Tamia
vanga vapindwa nei.Ndiani anga avaudza
manyepo.Ndakarongedza mabags angu
ndanga ndafunga kudzokera kumusha.Moyo
wangu wairwadza pandanga ndakubuda
padoor Rita akandimisa.

"Mira tiende tese pano handisi


kugara.Maiguru vangu vakaita zvinhu zvisiri
fair kudzinga Larry vakatadza kutiudza kuti
ndizvo zvakaitika"

"My daughter Rita"

"Leave me alone hamutifarire


ndakazviona.Shuwa mungatora Larry
kumusha mapedza momudzinga pamba
penyu musina evidence yekuti ndiye
akazviita"

Rita akatora bag tikabva tabuda.Tamia ndiye


akasara achingochema.Takasvika kumusha
zuva rava kuvira.Pfungwa dzekuda kubvisa
mimba ndidzo dzakauya mumusoro
mangu.Ndaisada kusekwa muvillage,Mai
vangu vakaziva ndine mimba vaindidzinga
ndaifana kuita plan nguva iripo.Ndakasvika
kutambirwa zvakanaka Rutendo kakafara
kachindiona.Mhamha vaisavapo hameno
vaiva kupi.

"Sis Rue muri kusimba I hope


mandivigarawo zvamuri kudya ndoda
kuitawo magaro seenyu"

"Rutendo unopenga chete.Ko mhamha


vaendepi"

"Vaenda kunotengesa madomasi


makuseni.Handizive sei vasati vadzonga
vangadai vadzoka"

Ndakapinda mumba mandinorara ndakagara


imomo kusvika ndatobatwa
nehope.Ndakazopeputswa manheru
namhamha ameno vanga vasvika nguvai.

"Ko kusvika nekurara hanziiko"

"Ndakaneta mhamha"

"Ko huya udye"

"Ndakaguta"
"Hezvo wadyei"

"Ndakaguta mhamha"

Havana kumbonetsa vakabva vaenda


kunorara.Ndakabva ndarara ndikanonoka
kumuka.Pandakabuda muroom mangu
mhamha vakaramba vakanditarisa kunga
pane zvavanga vaona.Hana yangu
yakatanga kurova ndichitya kuti vanogona
vatoona ndine mimba ndisati ndaibvisa.

"Huya pano Rue"


"Kwakanaka here mhamha"

"Iwewe hau...."havana kupedza Mai Rita


vanga vatosvika.

Mafariro andakaita pandakavaona


ndakasimuka
ndikavamhanyira.Zvakatovashimisawo asi
ndakanzwa kunyara.Ndakavasiya namai
vangu ndikaenda kumba kwana Emma ndiye
aiziva mushonga wekubvisa nhumbu.Ndaida
igare yatobva nhasi chaiye.....
_drop your comments_

Watch out for chapter 16


*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/B7uIsp8mHiZ3wU
lLeoDcKW

*_Like our FB page_*


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/
_Written by *King Lee*_
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~

*Chapter 16*

Larry

"Larry sei mumba mako musina chikafu uri


kumbodyepi chii chikuitika nhai" akabvunza
Yeu akagara pabed pangu.

"Ummm sekuru vangu vakaita tsaona saka


mari yakaperera kunovarapisa"

"Last time wakati wakabirwa this time wakuti


sekuru vakaita tsaona handichaku trust ini
asi pane wauri kupa.Inini musikana wako
hauchaziye kana kumbonditengerawo sweet
zvaro"

"No babe trust me handina umwe


musikana.Sekuru vangu vaitembawo neni
dai ndisina kumira nawo apana aikwanisa
kumira navo"
Yeu akabva anyarara akabva apinda
mumagumbezi achibaya baya foni yake
ndakashaya kuti aitaura nani.Asi
chandakaziva ndechekuti anga akatsamwa
kana zvinhu ndakanyimwa.

"Phone yako iripi Larry pane zvandikuda"

Ndakatanga kukwenya musoro ndichifunga


statement rekunyepera naro nekuti foni
ndanga ndakaitengesa.

"Handina kukuudza here kuti ndakabirwa


phone kugraft"
"Larry usandiona kunga mwana
mudiki.Unofunga ndakapusa here ndazviona
kare kuti pane chinhu chauri
kundihwandisira"

"No babe trust me I t-------"

"Wachinja Larry maybe wawana ari better


than me.Manje unofana kuti undiroore
haungandikwiri mahara"

Akasimuka pabed akabva


abuda.Ndakashaya simba rekumutevera
ndakaramba ndakagara.Dai aiziva ndiri
kuitira future yedu kuti tizogara muhuchi
aisatsamwa.

Pandakatambira ndakaendesa mari


kwaSekuru.Ndava kusvika ndikaona
ndakanganwa tsvimbo yavo.Pakutaura
kwavo vakati pandouya nemari
yekupedzisira ndodzoka netsvimbo
yavo.Ndakadzoka kunotora tsvimbo
yasekuru Urimbo.

Ndiri munzira kuenda kwaSekuru Urimbo


ndakatsauka mukasango kunoita
wet.Ndakaona kadombo kegold pandanga
ndichiita wet.Ndakambofunga kuti pamwe
ndiri ku imaginer.Ndakarinhonga
ndikambopedza nguva
ndakaritarisa.Ndakaisa muhomwe
ndikatanga kufamba kuenderera mberi
nerwendo ndakuda kusvika ndakabva
ndamira.

Kuti ndiende negold iri kwaSekuru


zvaisaita.Vaigona kuzoritora ndikasara ndiri
pazero.Ndakadzoka kumba ndikakanda
tsvimbo yaSekuru pasi pebed.Ndakaisa
kagoridhe kaya pabed ndairamba
ndichikatarisa.Padoor pakabva paita knock
ndakakaisa pasi pepillow ndikanovhura
door.Ndakawana ari Sharo sis
vaYeu.Ndakavapinza mumba vakagara
zvavo pabed.Ndakashaya vaidei nekuti
ndaisava nenyaya navo.
"I know ukushamisika kuti why ndauya
pano.Reason yandauyira pano i think
unoziva"said Sharo akanditarisa ndakabva
ndatarisa pasi.

"Ummm hapana chandiri kuziva" ndakadaro.

Mona akabva apinda mumba mangu asina


kuknocker ndakashaya hunhu rudzii.Tamia
akabva apindawo vairatidza kuti
vaimhanyisana.

"Bata hanzvadzi yako Larry ndomusungisa


uyu"said Mona.
"Mkoma Larry" ndizvo zvakataura Tamia
akanditarisa achimbotarisa futi Sharo.

"Inyaya yei yamuri kunetsana nayo iwewe


Tamia uri kutsvagei pano haugoni kugara
kumba here"

"Andidzipa hanzi ndiudze akarepa Rue


sezvinonzi ndini ndairidza pito Rue
achikwirwa"said Mona.

"Tamia enda kumba izvozvi handidi kukuona


pano futi"ndakadaro.
Tamia haana chakataura akabuda Mona
achiteverawo kumashure.Ndakasimuka
ndikakiya door ndaisada zvekuzopindirwa
futi.

"Chitaurai nyaya yacho ndinzwe"

"Larry ndauya kubvunza kuti why uri


kurwadzisa mupfana wangu.Saka waida
kungorara naye wotomusiya here"

"No akatadza kunzwisisa pane zviri kuitikawo


kuside kwangu.Next month ndotomuroora
zvese nekutochata" ndakadaro
"Hiiiiii iti shuwa Larry"

"Yes nditori serious" ndakadaro


ndakazongoona ndambundirwa.

Sharo akabva aenda asi ndakatoona aindiisa


pamuedzo munhu uyu kuzongoti
ndaizonyara pakuti ndisis vaYeu.Days
passed handina kuzoenda kwaSekuru
Urimbo kana kudzosa tsvimbo
yavo.Ndakatengesa gold riya nemari
yakawanda.Ndaikwanisa kutenga mota
nekuvaka ichingosara iripo.Ndakaendesa
mari yangu kubank ndikatsvaga mabuilder
vanonyatsa kuziva basa vakatanga kurova
basa.Ndanga ndatengawo stand kuma
medium.
Ndanga ndatova mbinga ndiri mupfana
ndainzwa kufara.Ndakatanga kuita malesson
edriving ndikapedza.Pandakatora license
ndakabva ndapihwa mota yebasa yekufamba
nayo.Ndakafunga kunoona mai vangu
ndanga ndane nguva ndisina kumbovaona
kana kuvafonera kubva zvandakatengesa
foni.Ndakasvika kumusha atori
masikati.Ndakasvika kumbomira pagrowth
point.

Vanhu vazhinji havana kundiziva ndanga


ndatochinja.Ndakasvika pamba ndikaona
Ruvimbo akagara naRita achitaura
nyaya.Ndakaramba ndakamuyeva mwana
anga akanaka but ndanga ndakamuvenga
nyaya yekusvibisa zita rangu kwakaita.Iye
pakandiona akafinyama zvekuratidza
kusemeswa neni.

"Uri kusema inini here iwe hure.Ibva pano


handidi kuona tsoka yako pano"

"Handina kuuya kuona iwewe.Haundidzinge


pano hapasi pamba pako wanzwa ita musha
wako waunotonga nxaaa" said Ruvimbo.

"Pano panoti inini kana kari kamimba kako


kanokupa maguts ekuda kundipindura
ndokatumbura aka"ndakadaro ndakatarisa
kadumbu kake kanga kakuoneka.
"Iwe Larry stop ndinyarewo.Ko atadzei
Ruvimbo waunosvika uchituka"

"Iwewe uri side raani.Ruvimbo akasvibisa


zita rangu ndiye wauri nanga nanga naye
anokupei.Ipapa munenge muchinyeperwa
kuti akarepwa iye aivhura makumbo.Bvunzai
inini ndinomuziva munhu uyu",

"Taura zvaunoziva iwe mupengo.Ndasiyana


newe unodhidha muchembere hazvishamisi
kuti watova ne edzi.Kusanyara kudanana
nasis nenumunin'ina apa vahombe kwauri
futi"said Ruvimbo.
Pandakatanga kutuka Ruvimbo, Rita
akandirova mbama ndikamudzorerawo anga
akunyanya kundisaiza.Anofunga kuti akaita
first born ane right yekundirova.

"Maiguru Mai Tamia vanga vari right


ndakuzviona now wava evil Larry."

"Siyana neni Rita handina kuuya kuona


iwewe ndauya kuona mai vangu not iwewe"

Rita akabva andipa imwe mbama.Ndakuda


kumudzorera ndikabatwa naRue.Mhamha
ndipo pavakabva vasvikawo vaifamba naMai
Faith mukadzi waMadzibaba Pita.

"Larry wagona wauya ndine zvandikuda


kutaura newe"said Mai Faith.

"Ko Rita uri kuchemei" vakabvunza moms.

"Bvunzai mwana wenyu asvika kundirova


nekuti ndamutsiura aituka Ruvimbo"

Mhamha vakanditarisa nerimwe ziso rine


chirevo havana zvavakataura.Takapinda
mumba umwe naumwe akagara pasofa rake.
"Larry handina zvizhinji zvandinoda kutaura
newe pano asi ndoda kuti mangwana uuye
kuchurch" said Mai Faith.

" Ndinouya naye don't worry" vakapindura


mhamha.

"Pane mhepo yakasimba iri kutevera mwana


wenyu asi akasasimba pakunyengetera
ndaona awisirwa pasi"

Mai Faith vakabva vatoenda.Ndakashaya


kuti vakatanga kuporofita rini ndaingoziva
murume wavo ndiye aiva chibaba.
"Larry handisi kufara nebehavior yako inga
wakakura uchiterera ko chii chandava
kunzwa"

"I know makanyeperwa nehure iri mhamha"


ndakadaro ndichinongedza Ruvimbo.Asi
Ruvimbo akaramba akanyarara.

"Eeeeeh Larry ndinokuponda ukafa


itodzikama.Ruvimbo haana chakandiudza
siyana naye.Unomboziva Rita mukuru kwauri
here akakupa mvumo yekuti unomurova
ndiani"

"Ndiye atanga"
"Ngakave kekutanga nekupedzisira.Respect
your sister"

Ndakaramba ndakanyarara hapana


zvandakataura.Ndakazongobuda pamba
ndichienda kumba kwana
Wesley.Ndakasvika pachivakwa imwe imba
inoita zvayo kuma 7 rooms.Ndakangoudzwa
kuti Wesley aingotumira mari asi haasati
adzoka.Ndakasangana naDeviya achibva
kumvura.Ndakamisa mota ndikabudisa
musoro pawindow.

"Aaaaaah Larrry" said Deviya achiisa


mugomo pasi.

"Hiiiiii ndafara Larry wambotifungawo"

"Uri sei"

"Handisi bhoo"

"Why"

" I miss you I know wakaita move on but


uchingori mupfungwa dzangu"
Ndakanyemwerera ndakafunga kutaster
kuona ndinozvara here paari.Kutaura
chokwadi ndanga ndisisina mafeelings naye.

"Uri pamoyo pangu Deviya ndakusuwa big


time kutouya uku kufambira iwewe"
ndakadaro ndichidzika mumota.

Ndakatora bucket rake ndikaisa mumota iye


akabva apindawo.Ndakaramba
ndakamutarisa ndikaona mwana ari
kunyarira ndakaona tsoro yangu inobuda
chete.Ndaisada kuzviita asi ndaisava ne
option.
"Ko Ruvimbo sei akugara pamba penyu
ndakanzwa vanhu vachiti ane nhumbu yako"

"Kugara pamba paani.Anongouya kutamba


naRita chete.I hate her muroyi uyo ndiye
akaparadza relationship yedu.Ihure ameno
akamitiswavo nani"

"Haa anonyadzisa mira ndoda


kumbomuseka anonyanya kuzoonererwa"

Ndakasiya Deviya pamba pavo ndikamuti


ndichauya ndichikuona manheru.Manheru
ndakadzoka ndikaona munhu abva kutogeza
ari fresh.Kakapinda mumota dai aiziva
zvandaimugaira aidzikama.Ndakarova mota
ndikaenda kunzvimbo isingafambi vanhu
kwanga kwasviba ndakadzima malight emota
ndikatanga kutaura naye.

Takatanga kuzokisana kusvika taita


mutambo wevakuru mumota imomo.Kanga
kasiri kavirgin hako but her cookie inobata
blambi kunge kamachine kaye
kanoshandiswa kucheka BP.Unonzwa ichinzi
dzvii ndakanakihwa day iri......

_drop your comments_


*Watch out for chapter 17*

*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/B7uIsp8mHiZ3wU
lLeoDcKW

*_Like our FB page_*


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 17*

*Ruvimbo*

Munhu wandaitemba kuti achandiudza


mushonga wekubvisa nhumbu ndakasvika
asipo.Aitonzi ari kure zvekuti ndaisakwanisa
kumuona.Ndakapera simba nekuti
ndaitarisira kumuona.Ndakadzoka kumba
ndisina kana mufaro.Mimba yanga
yandishaisha mufaro.Mazuva akafamba
ndaisunga dumbu rangu kuti vanhu
vasakurumidza vazviona ndichitsvaga plan
yekubvisa.

"Ko sei muchisunga dumbu renyu apa riri


kukura sei" said Rutendo

"Iwe nyarara mhani wanzi utaure nani"

"Ndiri kutaura zvandikuona inyaya yekuti


mukunyanya kudyisa" kakadaro kaitovawo
murima.
Ndakaenda mukitchen ndikatora chikafu
ndikatanga kudya.Mhamha vakasvika
vakagara paside pangu vakanditarisa.

"Ko hauchadzoki kubasa kwako here"

"Ummm ndakasiya ini"

"Why saka unoda kungogara pasina zvauri


kuita here nhai"

"Mhamha hamungazvinzwisise"
"Mhamha sis Rue vanosunga dumbu ravo
ndoda kusungawo rangu pamwe ndiko kuti
ndiitewo magaro", kakadaro kaRutendo
nedzungu rako.Ndakapotsa ndakapa
mbama.

"Pfutseki mhani haugoni kunyarara


here.Taura zvaunoziva uchatinetsa
iwe"ndakadaro.

"Siya mwana ataure watiii kusunga dumbu"

"Ehe mhamha ndak-----" kakadaro ndakabva


ndakaridza mbama kakatanga kuchema.
Mhamha vakauya pandiri vakafugura dress
randanga ndakapfeka vakaona zveshuwa
ndanga ndakasunga dumbu.Ndakapihwa
mbama iri strong yakasiya dama richipisa.

"Inhumbu iyi heee taura tinzwe iwe"


vakataura vakupupa nehasha.

"Nda---nda---ka---a"

"Ndinokurova iwe taura imimba yaani"

Vakabvisa chandanga ndakasungisa nacho


vakabata muromo.
"Yohwee zvandoitirwa nemwana
wangu.Ruvimbo taura imimba yaani"

Ndanga ndakuchema asi mhamha havana


kumbozvitarisa zvese vaida kunzwa muridzi
wemimba.

"Kungoenda kwawakaita kutown wotodzoka


nekamimba haunyari here mwana
iwewe.Ndati mwana ndewani"

"Mhamha handina kuita ndichida asi ndaka---


--"
"Iwe handisi kuda nhoroondo ndati baba
vemwana ndiani.Pindura mubvunzo"

"Handivazive ini ndosaka ndiri kuda


kukuudzai zvakaitika mhamha.Handina kuita
nhumbu iyi ndichidawo please try
kundinzwisisa"

"Zvauchataura handina basa nazvo.Uchiri


kurangarira ndichiti ukangoita mimba
usadzoka pano.So enda kuna baba vemimba
yaunayo"

Havana kundipa nguva


yekutsanangura.Ndakaramba ndakamira
ndichichema.Rutendo anga ava
kungochemawo akanditarisa.Ndakapinda
mumba ndikatora hembe dzangu
dzose.Ndaiti zvimwe mhamha
vachandinzwirawo tsitsi.Vakapinda muroom
mangu ndichirongedza hembe dzangu
ndakaona maziso avo aita red misodzi
yakajenga pamaziso avo.Vairatidza
kurwadziwa zvakanyanya handingavashoori
vaitarisirawo zvihombe kubva kwandiri.

"Ruvimbo wandirwadzisa pamoyo


pangu.Wandinyadzisa ndaisafungira
uchadai.Zvino Rutendo anodzidzei kubva
kwauri iwe wava kutokwirwa pamusoro
pazvo wondinyepera kuti hauzive baba
vemwana"
"Mhamha ndipei nguva yekutaura
nditsanangure zvakaitika"

"Wakadii kundiudza day rawakasvika


pano.Wakuda kundiudza nekuti ndakubata
kuti une mimba.Ndakazviona hangu kuti
pane zvikuitika pauri iyo itori mimba get out
enda kuna baba vemimba iyoyo"

"No no mhamha musadzinga sis vangu


ndozotamba nani"said Rutendo

"Iwe nyarara ndinokurova" vakadaro


mhamha.
Ndakatora bag rangu apa kwanga
kwakutosviba.Ndakabuda pagate pedu
ndikatanga kufamba ndichitevedza
road.Ndaisamboziva kwandiri kuenda
panguva iyi pfungwa dzangu dzaiita kunga
dzamira kushanda.

Ndakamira pabustop hapana kana mota


yakabatika panguva iyi.Ndanga ndafunga
kuenda kumba kwatete vangu.Kumusha
mota dzonetsa manheru ndakatozviudza
ndichazomukira makuseni.Ko ndorara kupi
ndakambofunga kuenda kumba kwana Rita
asi ndakaona zvisingaite.
Ndakaenda kunorara pamwe pamunda paiva
nekamba.Ndakazopeputswa kwachena
nemunhu aiita noise panze.Pandakabuda
ndikaona vari mai Rita vaidzinga makudo
mumunda mavo.Zuva ranga ratobuda
kungoti ndakazorarisa.

"Ndiani ari umu" vakabvunza Mai Rita.

Ndakabuda ndakabata bag rangu vakaramba


vakanditarisa zvekushamisika.Ndakatanga
kuchema ndakavatarisa
ndakavambundira.Ndakaramba
ndakavambundira ndakanyatsa kuvabata.

"Ko zviri kumbofamba sei Ruvimbo kuti


uzorara pano"

"Mhamha vandidzinga kumba vatadza


kundinzwisisawo kubatwa chibhari imhosva
here.Handioni reason yandichararamira
panyika ini ndiri kurwadziwa" ndakadaro Mai
Rita vakambopedza nguva vakanyarara
vakanditarisa.

"Aaah wakabatwa chibharo zveshuwa ndaiti


zvimwe Rita aindinyepera.Ndakaudzwa
zvese zvakaitika hangu usacheme
mwanangu handei unogara kumba kwangu
ndichatsvaga way yekutaura namai vako kuti
vazonzwisisa"
"Siyanai navo vatadza kundipa chance yekuti
nditaurewo varatidza kuti havandide"

"No Rue don't blame her ihasha vanga


vatsamwa.Uchazozvinzwisisawo kana wava
mai"

Mai Rita vakatora bag vakaenda neni kumba


kwavo.Mai ava vanga vane rudo uye
vairatidza kunzwisisa.Vakandibikira porridge
vakandipa.Rita ndakamuudza zvakaitika
akatoti ndigare pano.

"Ndichaenda kunotaura namai vako usatya


ndichaita kuti vanzwisise"
Mai Rita vakaenda kunotaura namai
vangu.Asi Mai vangu vakaratidza
kusambonzwisisa.Mai Rita vakangoti
ngativape time kusvika hasha dzavo
dzaserera.Tamia ndaitaura naye pafoni
achindiudza zvaiitika kutown.Larry
akasvikawo nedzungu achida kundidzinga
pamba pavo.Rita haana kufara nezvakaita
Larry ndakazviona.Larry wacho
aizoonererwa nemota yaanga anayo
ndakashaya kuti ndeyake here or
aikweretawo.

Kwava kusviba ndakabuda kuenda


kumashop naRita.Takasangana naDeviya
akatanga kuseka.

"Waiti zvinopererepi izvozvi une kamimba


kasina baba"said Deviya.

"Mind your own business Deviya" said Rita.

"Rita i respect you nekuti uri aunt vangu asi


hure iri no.She is the one akandifurira
kuramba Larry.Manje aya ndiwo maresult
ehutsinye" sais Deviya.

"Deviya ndiwe hure wanzwa nekurarwa


naDee.I'm not your aunt usiyane nezvekuda
kuseka Rue ndinokumamisa" said Rita

Takaenderera mberi nerwendo tikasiya


Deviya akamira.Takadzoka kumba
kwatosviba manheru Larry anga avapo.

"Asi Ruvimbo akugara pano"

"Ehe asi une chekutaura here" said Rita.

"Zvamunoita zvinosemesa munotora munhu


ane nhumbu yamusingazive kuti ndeyani
kugara naye"
"Larry daka rako naRuvimbo nderei.Ruvimbo
anogara pano nekuti ndini ndadaro hapana
anomubvisa" said mai Rita.

Larry akabva asimuka kuenda kuroom


kwake.Ndakaramba ndakamutarisa ameno
akatsika sei akabva adonha ndakabvaruka
nekuseka.Ndakaseka kubuda misodzi chaiyo
zvekuti Rita akagumisirawo akusekawo.

"Saka chii chaunoseka ipapa" said Larry.

Ndakaramba ndakanyarara ndai respect Mai


Larry dai zvisizvo ndaida kupedzerana
naye.Kuchiedza takagadzirira kuenda
kuchurch.
"Mhamha ndafonerwa kunzi ndiuye kubasa
now handichakwanise kuenda nemi
kuchurch"

"No hakuna kwauri kuenda.Ndipe number


dzamanager wacho nditaure naye ini nekuti
hazviite kuti urovhe church nhasi ndoda
ubatsirwe"said mai Rita.

"Mhamha ndezve basa izvi.Please


ndinozodzoka next weekend"

Mai Rita vakatora makey emota yaLarry


vakamabata variwo.Ndakatanga kuseka futi
zvekusvotesa Larry.Larry wacho akaramba
akanditarisa.Takagadzirira kuenda kuchurch
Larry akanonoka ameno aiitei.Akanzi
azotevera ega takasvika pakazara zuva iri.....

_drop your comments_

*Watch out for chapter 18*


*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/B7uIsp8mHiZ3wU
lLeoDcKW
*_Like our FB page_*
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 19*
*Larry*

Ndakafonerwa kumusha ndichiudzwa kuti


Desire akaendesa nyaya kwaSebhuku
achipomera Rutendo kuti akapumha family
yavo huroyi.Rutendo kaiva kadiki zvekuti
hapana aikwanisa kuzomira naye kudare
kunze kwangu.Ndakatozviudza kuti day
redare ndinofana kunga ndiri kumusha.

Hameno kuti akaudza Yeu kuti ndanga


ndadzoka ndiani.Ndakazongoona munhu
asvika pamba pangu akatsamwa.

"Saka unoda kundiroora sei usingandi


introduce kuhama dzako"

"Yeu pane nyaya yandaida kutanga


ndagadzirisa.Mira ndiri kuenda kumusha I
think paweekend ndiri kunovaudza nezvako"

"No ingovaudza pafoni then paweekend


toenda tese" said Yeu.

"Yaaa zvinoita futi"

Ndakadaira hangu kuti zvindibve plan iyi


yaisaita .Ndaida kutanga ndataura namai
vangu first.Ndakatozviudza kuti ndaizoenda
ndega kumusha ndaitsvaga something
chekuti Yeu asaenda.Yeukai akatanga
kucleaner mumba mangu manga masviba.

"Ko itsvimbo yei iyi nhai apa iri kupenya" said


Yeu.

Ndakarohwa nehana pandakaona tsvimbo iyi


yakabatwa naYeu.Tsvimbo yandarasa
kurwizi yazouya sei kuno futi.

"Ummm ndoishandisa kurovesa mbavha"

"Hoooo but sei ine kamucheka kered aka"


"Ndakaipihwa namudhara wangu yakadaro"

Ndakaitora ndikanokanda mumota ndaida


kunoirasa kure chaiko.Ndakarova mota
ndikaenda kunorasa tsvimbo iyi kure
chaiko.Ndakadzoka Yeu apedza kubika
akatorara zvake pabed.Ndakadya tichibva
tarara asi zvinhu handina kurova.Akati
ndaizorova ndichinge ndamuroora.Kuchiedza
takamukira kuenda kubasa.Zuva iri
ndaingova low low.Palunch ndakaenda
kunotarisa imba yangu yaivakwa mabhiridha
vairova basa zvandakafarira.Ndakadzoka
kubasa ndikaona Joker naYeu vakamira
vese vairatidza kuti pane something chavari
kutaura, asi kusvika kwandakaita vakabva
vanyarara.Ndakangonzwa mashoko
ekupedzisira akataurwa naYeu achiti
"haafani kuziva asi ndichamuudza ndega
kana nguva yakwana".

Handina kubvunza asi zvakandibhowa


kuratidza kuti vaviri ava vane chinhu chavari
kundihwandisira.Obvious vaitaura inini
hakuna umwe.

"Larry watsamwa sorry zvauri kufunga


hazvisizvo"said Yeu.

"Zvandiri kufunga kupi Yeu.Hausiwe here


waiti ndisatamba naJoker anondifurira ko iwe
ukutaura naye nyaya dzei"
"Daddy mune jealous too much
ndazviona.Apa ndaitsiura shamwari yako kuti
asiyane neka under age kaari kudanana
nako"

"Ko iwewe zvekudanana kwake ne under


age zvinei newe asi unomuda
here.Musatombondiita kunga mwana mudiki
ndakura ndinofunga.Haisiyo nyaya yamanga
muchitaura"

Ndakafamba ndikaenda kubasa


kwangu.Ndakatanga kushanda Joker
handina kumbotaura naye.Ndanga
ndatotsamwa nezvakaitwa nevaviri
ava.Ndakakurumidza kuchaisa ndikaenda
kumba ndiri muroad ndakaona Mona
naTamia vachifamba vese kubva
kuchikoro.Zvakatondinetsa nekuti vaviri
vanomboita sevakavengana ndakasiyana
nazvo.Ndakasvika kuzvikandira pabed
ndanga ndakafizuka.

Saka zviri kureva kuti Yeu pane chinhu


chaari kundihwandisira.Joker ari kuziva
chinhu ichocho asi haasi kuda
kundiudza.Ndinofana kutsvaga kuti chiii
ichocho chavasiri kuda kundiudza.

Rita akandifonera akandiudza kuti nyaya


yaRutendo naDesire yaizotongwa kuswera
mangwana.Yeu akazama kuda kundifonera
ndikagumisira ndadzima foni.Ndakatoziva
kuti ari kuuya kumba kwangu
chete.Ndakadzima malight kuita sepasina
munhu.Akauya akanocka kusvika
aneta.Pamari yangu ndakatozviudza kuti
ndikufana kuvhurirawo mai vangu shop yavo
kumusha ikoko.Ndaida kuzovarova
nesurprise hangu.Kuchiedza ndakaenda
kubasa semazuva ese ndaisada zvekutaura
taura nevanhu.

"Larry wachinja kubva zvawakabva kumusha


chiii" akadaro Joker

"Handina kuchinja kungoti handichadi


kutaura nevanhu vasina nechekuita nelife
yangu"

"Wakatsamwa kuti ndaitaura naYeu nei


here.Usaita kunga wakadyiswa ko Ruvimbo
ari sei ndakasuwa kamunhu kaya"

"Kukasuwa pakudii enda unokaona"

"Ruvimbo ndomuda ndichamuchengeta


hangu pamwe chete nemwana wake.Ndine
rudo rwemachokwadi nemwana uya.Undipe
adress yekumba kwavo ndoda kuenda
kunomuona paweekend"

"Joker dzikama unomboda vanhu vangani


zuro uno waiva naMona nhasi wava kuti
unoda Ruvimbo"

"Larry ndakazviona kuti Ruvimbo unomuda


manje haufe wakamudya kana Yeukai ari
mupenyu.Enda unoroora Yeu inga kayellow
born wani ana Rue ava siira isusu
magogodera acho"

"Dai Ruvimbo ndaimuda ndakadanana naye


kare.Uya ndiye munhu wausingafi
wakadanana naye kana ndiri mupenyu"
ndakadaro ndichitobva paari.Hongu Rue
ndakamuvenga hapana pandaizomusiya
achiwira kuna Joker.
Pandakachaisa ndakakumbira maoff days
mashoma ndikapihwa.Ndakaenda nekubank
ndikatora mari yandaida kunoshandisa
kuvakisa shop.

*Ruvimbo*

Pandakaudzwa kuti ndaizorota zvakaitika


kwandiri panopera 3 days handina
kuzvitenda.Ndakaita zvandakanzi ndiite
namadzibaba zuva rechitatu manheru
hapana chandakarota.Ndakabhowekana
saka madzibaba vakandinyepera.
"Hapana zvandarota wani vanonyepa
madzibaba venyu" ndakadaro

"Rue dzikama uchazvirota" said Rita.

Ndaifarira mabanana zvakanyanya.Mai Larry


pese pavaibuda vaindivigira
mabanana.Mumoyo mangu ndaingoti dai vari
vamwene vangu vane rudo
rwakadai.Ndakazobatwa nehope ndakagara
pasofa masikati.Ndakatanga kurota ndiri
paparty paTamia.Mona akasvika patanga
takagara akatanga kunyengerera Tamia kuti
anwe doro.Ndakazonzwa ndaona Tamia
anwa.Papera chinguva ndakadhakwa
ndikaenda kunotamba kwaiva nevamwe
kusvika ndadonha.Tamia naMona
vakandisimudza kundiendesa kubedroom
kwangu.Tamia akandikisa pahuma vakabva
vabuda.Papera kanguva door rakabva
ravhurwa ndik....

"Iwe muka apa akati vanhu vanorara pasofa


ndiani hee" uyu aiva Larry aindimutsa ameno
anga asvika nguvai

Ndakasvotwa zvisingaite nekumutswa ndisati


ndaona munhu akandirepa.Saka Tamia
naMona ndivo vakandiendesa kuroom
kwangu.Ko sei Tamia airamba kuti
haasiye.Kureva kuti Tamia naMona
vanozivana panyaya yekurepwa kwangu.
"Iwe mupengo wandimusirei heee wanzi
ndimutse nani.Unondijairira iwewe
handitambi newe izvozvi handina kuona
munhu akandirepa hope idzodzo
dzikasadzoka futi uchandiona"

Larry haana kupindura akaramba


akanditarisa.Ndakazoona munhu akatarisa
zvidya zvangu.Ndakavhara nezambia
ndakanzwa kunyara
zvisingaite.Ndakasimuka ndikaenda
kunogara kuseri kwemba.Larry andionerera
nhai kuzoramba akanditarisa.Ndanga
ndakunzwa kunyara kutarisana
naye.Musatambe nekuonererwa nemunhu
wausingadanani naye apa muchigara pamba
pamwe futi.
"Ummm Ruvimbo" said Larry achiuya pandiri.

"Ukudei"

"Vamwe varipi"

"Handizive kuti vaendepi I think vabuda


ndakarara ko iwe wasvika nguvai"

"Ndane time ndasvika ko kwakanaka nhasi


kutaura neni zvakanaka"
"Haiwawo siyana neni saka zvinosekesa
here nhai"

"Wakanaka kana wakatsamwa rega


ndimbozvitora selfie newe" said Larry.

Ndakashaya kuti Larry kuda kuswedera


pedyo neni inyaya yekuona zvidya zvangu or
imwewo reason.Handina kuda kuita nharo
naye akatora maselfie akawanda tiri
tese.Hameno mhamha vakasvika nguvai
vakationa tiri tese ndakaona
vakunyemwerera.Ndakanzwa kunyara
vanozofungei neni.

"Larry mazuvano kuno uri kukuda asi kutown


kuri kubhowa here"

"Yes mhamha mazuvano kwava kundibhowa


handizive chiii"

"Hooooo nekuti Ruvimbo ava kuno" said


moms vachiseka.

"Aaah moms zvamuri kufunga hazvisizvo"


said Larry.

Ndakabva ndasimuka ndikaenda mumba


vakanditambidza mabanana.
"Woww ko angu aripi"said Larry

Larry akandikumbira ndikamupa 1.Asi haana


kudya aida zvekundipakisa ndakanyara
mhamha vanga vakatarisa.Zvaindinetsa kuti
Larry kuita munhu kwaye
kwakanaka.Ndakazodya banana riya Rita
akasvika achiomberawo maoko.

"Kuenda kuchurch kwakanaka Larry wava


munhu kwaye manje.Wazviona ka waivenga
Ruvimbo asina nemhosva newe"said Rita.

Larry akangonyemwerera pasina


chataura.Akabuda ameno kwakaendwa
ndakaona achitaura nevamwe mabhiridha
ndakashaya aida kuvakirwei.

"Ko chii chauri kuda kuvakisa paside peroad


apo" akabvunza Rita.

"Ummm something muchazongoona


chapera" said Larry

Kufara ndaifara hangu asi ndaimboti


ndikafunga nyaya yaRutendo yaendeswa
kwasabhuku ndairwadziwa.Zvekuti Rutendo
akapumha vana Desire huroyi chinogona
chiri chokwadi mupfana wangu ndomuziva
ane mukanwa makaumburuka anotaura
zvinhu asina kufunga.Zuva rekutongwa
kwenyaya rakasvika.Nyaya yakatanga
kutaurwa Dee achitaura zvakaitika.

"Iwe Rutendo zvataurwa ndizvo zvawakaita


here"

"Hazvisizvo zvaakaita" akadaira Larry.

"Ndiwe unonzi Rutendo here" vakabvunza


Sabhuku.

"Handisini but ndatoti ndidaire nekuti uyu


mwana anogona kubvuma zvaasina kuita
nekutya" said Larry.
"Larry haukwani panyaya iyi dai
wambonyarara" akadaro Desire.

"Desire ukawana nguva ukure ungauya


kutaura kanyaya kasina nebasa.Sabhuku
ndokumbirawo kuti Desire abudise evidence
inotaura kuti Rutendo akapumha family yavo
huroyi.Sekuziva kwangu Desire akavenga
family yana Ruvimbo hapana asingazvizive
izvi.Rutendo haasi kuzotaura something
kusvika Desire abudisa evidence"

Ndakanzwa kufara ndichiona Larry achitora


side remwana wamai vangu.Vanhu vese
vakatsigira zvaitaurwa naLarry.
"Zvataura Larry ichokwadi ndosaka maona
vamwe vakuru vasina kutouya vatoona kuti
kanyaya kemahara, muno muvillage hapana
asingazive zvinoita Desire naMai vake"
vakadaro vamwe mai.

"Saka imi muri kuda kundidzidzisa


matongerwo anoitwa nyaya here or mutori
nezvenyuwo" vakadaro Sabhuku.

"Enough is enough tiri kuzviziva kuti muri


chikomba chamai dee asi apa tongai nyaya
zvairi mukatadza tiri kusvitsa kwaMambo
direct" vakadaro mai vaya.
Sabhuku vakapusa panguva iyi.Vakangopa
Dee imwe punishment.Rutendo akamhanyira
Larry akamumbundira.Kana ivo mhamha
vakafara ndakavaona hangu asi handina
kukwanisa kunotaura navo ndaiziva
vachakanditsamwira.

"Thanks mkoma Larry mamira neni dai


musipo ndatonyura ipapa"

"Next time usazotaura zvisizvo unopinda


busy wadzidza ipapa" ndakapindura.

"Haana kumbotadza akagona akaudza


munhu chokwadi" said Larry.
Larry akangoita madays mashoma akabva
atodzoka kutown.Mai vake vanga vakufara
kuti achinja.Handina kuzomborota hope
dzekuparty kuya ndainzwa
kubhowekana.Ndakazonzwa shoko raifamba
muvillage medu rekuti ndakamitiswa
nemurume wemunhu ndikadzingwa
basa.Everyone wandaiti ndikasangana naye
muroad ainditsvinyira kana kundiseka
ndainzwa kurwadziwa nazvo.Ndakazozviona
kuti Deviya ndiye akafambisa shoko iri....

*Thanks nemacomments enyu.*


Watch out for chapter 20
*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/B7uIsp8mHiZ3wU
lLeoDcKW

*_Like our FB page_*


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
*Chapter 18*

Larry

Makuseni ndakafonerwa ndichinzi ndiuye


kubasa kwaita breakdown michina yamira
kushanda.Manager semunhu aivimba neni
handina kuda kumurambira.Ndakaudza
moms vakatadza kundinzwisisa handina
kumbofara nazvo.Vakaenda kuchurch ndikati
ndichatevera pfungwa dzanga dzatova
kubasa.
Simba rekugeza ndakarishaya ndakatora
nguva yakareba ndakagara
pasofa.Ndakabuda ndikaenda kuchurch
kwavo zuva iri kwanga
kwakawandiwa.Ndakagara kumashure shure
pfungwa dzaisava panzvimbo.Zvinoitwa
zvakaitwa nguva yekunamatirwa kwevanhu
yakasvika.

"Madzimai Ruvimbo mune kushushikana


pakati pemoyo wenyu.Mune nguva
yamunozvibvunza kuti Mwari variko
zveshuwa here" vakadaro Madzibaba
Handiriya.
"Hongu munhu waMwari moyo wangu hauna
zororo hupenyu hwangu hwakazara jambwa
nemunyama ndatogumirwawo" said Ruvimbo
maziso ajenga misodzi.

Madzibaba Handiriya vakatanga kutaura


chimwe chimutauro chandaisanzwa asi
chandakaziva kuti indimi nekuti dzaiva
nemazita engirozi mukati.

"Musachema madzimai Mwari


variko.Ndaratidzwa kuti makaitwa
zvekubatwa chibharo hamusi kuziva baba
vemwana.Makatombofunga kuibvisa mimba
iyi ndiri kunyepa here."
"Ndizvo chaizvo madzibaba everyone
akungondiseka even mai vangu
vakandidzinga havanzwisise"

"Chinhu chese chinoitika nechikonzero


madzimai.Mwari vachatonga kune munhu
akakuitai izvi handikwanise kukuudzai zita
rake asi ndinoda muzoita zvekurota mega
zvakaitika day racho" vakadaro Madzibaba
Handiriya.

Ruvimbo akatanga kuchema.Madzibaba


Handiriya vakatanga kurira nendimi.

"Zvichanaka madzimai moita zvandichataura


kwemazuva matatu.Zuva rechitatu
mucharota zvakaitika kwamuri muchamuziva
munhu akakuitai izvi.Asi kana mamuziva
musadzorera Mwari ndiye achatonga ega"

Hameno zvakapihwa Ruvimbo akanogara


pasi.Vanhu vazhinji vakabatsirwa.Hana
yanga yakurova ndaitya vaigona kuzoona
zvekuenda kwangu kwasekuru.Ndaida
ingoita secret yangu ndega pasina
anoziva.Zvikataurwa apa obvious munhu
achati ndakaromba ini ndisina ndizvo
zvandaisada.

"Madzibaba Larry fambai muuye kumberi"


vakadaro Mai Faith.
Mukadzi wamadzibaba Pita anga
andibvirawo nepi ndanga ndichiti
ndapona.Ndakafamba ndikanopfugama
pamberi pavo.Madzibaba Handiriya
vakaramba vakanditarisa kunga pane
zvavanga vachiona pandiri.

"Madzibaba Larry ko mungandiudzawo here


zvetsvimbo iri mumba menyu kuti
makaiwanepi"

Ndakarohwa nehana ndichinzwa mashoko


aya.Ko Madzibaba Handiriya ava kuti havana
kudya musoro wegora kuti vaonesese kudai
here zvimwe zvacho hazvisisiri zvega.
"Umm handina tsvimbo"

"Madzibaba Larry muri kuramba zvinhu zviri


pachena.Ndiri kuzama kuda kukubatsirai
nguva iripo.Nzira yamuri kuda kufamba nayo
haina kunaka.Hongu maita mari muchaita
zvamunoda asi hamufe makaziva chinonzi
rugare muhupenyu hwenyu pane umwe ari
kuchema nekuda kwezvinhu zvamakaita"

"Ndiani iyeye ari kuchema handina


kumbotadzira munhu"

" Ndine zvinhu zvakawanda zvandaona


pamuri.Asi ndikakubvunzai munogona
kuramba semarambiro amaita patsvimbo"

"Madzibaba Handiriya batsiraiwo mwana


wangu please kubva zvatanga kushanda
achinja" ava ndiamai vangu vaidaro.

"Mwana wenyu ane zvakaita ari kuzviziva


ngareurire pamberi.Ichasvika nguva
yamuchati mwana wangu akaroiwa iye asina
achizviitisa.Panguva iyi muchanditsvaga
muchida kubatsirwa asi muchandishaya"

Mhamha vakanditarisa neziso


rekugumbuka.Ndaizama kufunga kuti
ndakatadzira ani.Pakapera church
ndakamhanya kuenda kumba ndaisada
zvekutaura taura nevanhu.Mhamha
vakasvika vaine hasha.Hunhu hwavanga
vanavo vaisaratidza kunga munhu abva
kuchurch.

"Iwewe warambira madzibaba kuti hauna


tsvimbo une shuwa.Ndinozviziva unayo
madzibaba havana kunyepa ndiudze iripi"

"Mhamha kutaura shuwa handina"

"Tiri kuenda tese kwauri kugara ndoda


kunotsvaga tsvimbo iyoyo"said mhamha.
Ndakaramba ndakanyarara ndakaziva
dzichiri hasha.Foni yangu yakabva yatanga
kuringer ndiYeu aifona.Ndakabuda kunodaira
panze.

"Larry umboripi"

"Ndiri kumusha babe"

"Aaaah nei usina kuendawo neni ndaida


kuona mhamha natete"
"Mira pane zvandaida kutanga ndagadzirisa
next time toenda tese"

"Ndozvaunongotaura Larry zvinobhowa"

Akabva atokata foni yacho ndakaona Rita


akamira paside pangu airatidza kuti anzwa
zvese zvandaitaura.Rita haana zvakataura
akaramba ari zii.

Ndatora mota yangu ndikaenda kugrowth


point kwandakasangana naDesire.Handina
kutaura naye ndakapinda mushop
ndikatenga zvinhu zvandaida.
"Ko kusatiudzawo kuti wakaroora Ruvimbo
nhai"

"Asi haroorwi here" ndakabvunza.

"No zvakatongo ndishamisawo kuti une


hunhu hwakaora.Ungaroora crush yafriend
yako munhu aidiwa nefriend yako Wesley"

"Wazviwanepi zvauri kutaura iwe"

"Kwandakazviwana hakunei newe.Pana


Ruvimbo hapana zvemunhu ihure like
mother like daughter"
Ndakazoona Dee apihwa bhutsu pakati
pemakumbo nakaRutendo.Ndakatoshaya
kuti kabva nepi.

"You evil siyana nefamily yedu kushata


kutodza mai" said Rutendo.

"Unoti mai vangu hure vakahura nani


ukwane musoro wakabhenda nxaa.Iwewe
mai vako zvavanoroya takambozvitaura
here.Ndivo vakauraya Madzibaba Pita vatya
kufumurwa.Zimwana remuroyi apa
makaromba futi harinyare" kakadaro futi
kaRutendo.
Ndakaita zvekukutota zvechisimba
ndikaenda nako kumota.Kakasvika
kakatanga kuchema.Kakazonyarara
kakapukuta misodzi yako.

"Sis vangu vari sei ndavasuwa ndakanzwa


vari kugara pamba penyu"

"Vari bhoo handei unovaona"

Ndakadzika ndikakatengera mazepi


kaimadawo sei.Takaenda kumba achiona sis
vake anovamhanyira.Ndakaramba
ndakagara mumota ndaifana kudzoka
kutown zuva rava kuvira.
Vaviri ava vanoenda kunogara kuseri
kwemba.Deviya akasvikawo pandiri asi anga
akasuwa suwa.

"Ko wakatsamwei"

"I regret kurara newe kwandakaita pasina


kudzivirira ko ndikaita nhumbu ndoita sei iwe
uri kuratidza kuti waida kungorara neni
kurevenger zvandakakuita kumashure"

"Ndiri kutoda uite nhumbu Deviya.Ukaita


unenge wandifadza ndinobva ndakuroora"
"Promise kuti hauzondisiye Larry nekuti pauri
ndaperera.Ndabva ndafunga chiporofita
chamadzibaba vachiti uchazoorwa naLarry"

"Handikusiye Deviya.Ndiri kudzoka kubasa


nhasi"

"Unozodzoka rini kuno honey"

"Tinenge tichitaura pafoni"

Ruvimbo akabva abuda achiperekedza


Rutendo.Deviya hameno kuti chiii akatanga
kundikissa handina kuzvifarira handina
kuresponda kiss yake.

"Why asi une chekuita naRuvimbo"

"Deviya stop remember ndiri pamba ko


moms vakandiona vanofungei"

"Saka haundidi sei usingadi kundi introducer


kwavari"

"Handidi munhu anondimhanyira mberi


wanzwa here" ndakadaro ndikapinda
mumota.
Ndakasvika kumira panga pana ana
Rue.Ndakavati vapinde mumota Rutendo
ndiye ega akapinda.Ruvimbo akazoita
zvekunyengererwa.Ndakaperekedza
Rutendo pamba pavo akadzika.Ruvimbo
akasara agara mumota.Pandakadzoka
Ruvimbo anga atorara zvake apa dress
rakaita kukwirira kumusoro zvekuti ndaiona
zvidya zviri panze even bhurugwa remukati
ndakariona.Hameno zvandakanzwa panguva
iyi.

Ndakangomedzera mate ndakatarisa


pawindow pakaita knock.Lucky anga ari
matinted nekuti dai pasina izvozvo munhu
akanoka akazviona.Ruvimbo akamuka
zvekuvhunduka akaona ndakamutarisa
akagadzirisa dress rake.Ndakavhura door
Rutendo kakapinda kachipa hug kuna sis
vako.

"Sis Rue i hope hamuna kutsamwira


mhamha.Pamunamato yavo havambokusiyei
ndinonzwa zvese zvavanonamata."

"Okay thanks uudze mhamha kuti


ndakusuwai"

Kakabva kadzika ndakaenda


kumashops.Mumusoro mangu manga
mangozara zvandaona pana Ruvimbo.
"Uri kundiendesa kupi iwe misa mota
ndidzike handidi zvekujairirwa",

"Pawapinda mumota waiti ndiri kuendepi"

"Larry wakufarisa ndoda kukurova nxaaa"

Ndakamisa mota ndikadzika iye akabva


adzikawo akaunyanisa chiso zvekutsamwa.

"Ndirove tione" ndakadaro.Rue akasvika


achindipa mbama yekuti ndakanzwa hasha.

"Ruvimbo ndinokurova kamimba kakabva


aka",

Ndakasimudza maoko ndichida kumurova


ndikaona avhara maziso.Ndakashaya simba
rekumurova ndakamusiya
akadaro.Ndakapinda mumota iye
akapindawo kugara pamother seat chaipo.

"Next time handichakwiri kamota kako",

"Regedza handina basa nazvo"

"Ndamboti une basa nazvo here.Iwe Joker


ari sei ndamusuwa", akadaro Ruvimbo.
Handina kumupindura iye akabva atanga
kuseka.Pandakasvika pamba mhamha
naRita vanga vakagara panze.Rita
akashamisika kuona Ruvimbo achibuda
mumota mangu.

"Vanhu imimi munomboita semakavengana


wani chii chaizvo"

Ruvimbo anga akunyara nyara akatarisa


pasi.Mhamha vakanditora vakaenda neni
paside.
"Larry why ndine kafeeling kekuti nhumbu
yaRuvimbo ndeyako"

"Mhamha haisi yangu I think ndeya Joker"

"No even Rita akatoonawo


zvandakaona.Zvakaitika kuparty
ndakazvinzwa asi kana uriwe wakarara naye
please kumbira ruregerero nguva ichipo.Uyu
kuita muroora wangu ndomuda ane hunhu
hwandinoda kwete ana Deviya vanzwa
nekuvatiwa nevillage rese"

Vakabva vatoenda kwaiva


naRuvimbo.Vakatora mabanana
vakamupa.Ndakatoziva mhamha vaitira Rue
zvese izvi vachifunga inhumbu yangu.

Zuva rava kuvira ndakaoneka.Ndakasiira mai


vangu mari yakawanda ivo vakatoshamiswa
nazvo nekuti ndaiva ndisati ndambovapa
mari yakawanda kudaro.Ndakarova pasi
ndakasvika mutown manheru chaiwo.

Ndaida kunorasa tsvimbo iyi kurwizi


chaiko.Ndakasvika ndikaitora ndakanoikanda
murwizi.Ndakabva ndanzwa call kubva
kumusha zvichinzi ........
_drop your comments_
*Drop your comments*
~Drop your comments~
_Kana waverenga isa comment inoratidza
kuti waverenga_

Watch out for chapter 19


*MOYO WANGU*
_my heart_
https://chat.whatsapp.com/B7uIsp8mHiZ3wU
lLeoDcKW

*_Like our FB page_*


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 20*
*Larry*

Days passed ndaiva ndisingachataure


naYeu.Kumuda ndaimuda but ndaida
kungomuratidza kuti zvakaita
zvakandibhowa.Ndakazongoona munhu
akusvika pamba pangu aine bag.

"Ko kuuya nebag kwakanaka


here"ndakabvunza.

"Unondiona semwana mudiki nhai.Waingoda


kurara neni chete wondisiya manje ndatouya
zveforce ndatova mukadzi wako" said Yeu
achiratidza kuti atori serious nezvaanga
achitaura.

"Takabvumirana wani kuti ndiri kuda


kukuroora zvepamutemo.Ko akati ndaida
kurara newe chete ndiani waisanakidzwa
here pandairara newe pacho hee"

"Larry wakati mwedzi uchipera wondiroora


zvino hauna kupera here.Zvandataura
watozvinzwa hakuna kwandichaenda"

Ndakazama kuda kumbotaura naye asi


haana kunzwisisa.Ndakagumisira ndamusiya
akadaro.Ndakatora foni yangu ndika hider
machats andotaura naDeviya.Ndaizviitira
Yeu anoda zvekutamba nefoni yangu.

"Yeukai kuuya wauya hako but ndiudze


zvawaitaura naJoker uchiti uchandiudza
kana nguva yakwana" ndakadaro.

Yeu akavhura ziso zvekuratidza kushamiswa


nezvandataura.

"Hapana nyaya iripo Daddy Larry makatadza


kunzwa daddy.Munoziva ndakusuwai sei"
said Yeu achikwidza skirt yake.
Ndakaramba ndakamuyeva akauya pandiri
akatanga kundikisa muhuro kusvika auya
pamuromo.Zvekutsamwa ndakatozviisa
paside ndikaita zvairira nguva
yacho.Ndakarara naYeu padoor pakabva
paita knock tiri pakati pekuita mutambo
wevakuru.Takaignowa kusvika tapedza
ndikaenda kunovhura door.Anga ari Joker
handina kumupinza mumba.

"Asi wakavharira kani"

"Ko wavingei"

"Ndikuda kuenda kumusha kwenyu ndoda


undiudze pamba pana Ruvimbo.Ndazvipira
kumutora kugara naye"said Joker.

Ndakaramba ndakanyarara Yeu akabva


auya patiri akamonera zambia.Anga akabata
foni yangu.

"Mira ndikupe number dzaRuvimbo wacho"


said Yeu achibaya baya foni yangu.

Ndakaramba ndakamutarisa handina


kuzvifarira, handina kuda kumuudza pana
Joker zvaizoita sendamunyadzisa.Joker
akapihwa number akabva atoenda.

"Daddy ngatisimudzirei patasiira"


Yeu hana kundipa nguva yekutaura akauya
pamusoro pangu.Mwana aiziva zvanoita uyu
zvekuti kanyaya kaya ndakabva
ndakakanganwa.Takazobatwa nehope
tikazopepuka kwatosviba.Ndakasiya Yeu
achibika ndikaenda kwaivakwa imba
yangu.Ndakasvika yanga yakutosimuka
ndainzwa kufara ndakaitarisa asi mufaro
waizopera ndikazofunga nhau
yevana.Ndakatenderera ndichinyatsa
kutarisa kusvika ndakagara pasi.

Ndakafunga zvakaitika Yeu apa Joker


number dzaRuvimbo ndisina kumuti
amupe.Zvemunhu anoda kundimhanyira
kumberi ndizvo zvandaisada.Ndakafonera
Ruvimbo wacho.

"Hesi Larry"

"Ndiri bhoo asi uri kudya kani"

"Aha huya tidye"

"Umm ndikuuya ndoda kupakiswa


newe"ndakadaro ndichida kunzwa

"Manje handidi ko unouya rini ndaku....aah


waibvunzwa naRutendo"
"Ndouya paweekend please usafamba wega
make sure unofamba namoms vangu or Rita"

"Ko why wadaro.Ndagara handitofambi


fambi"

"Mira ndokuudza paWhatsapp"

"Ingondiudza izvozvi nekuti handitorina


bundle"

"Ndokuisira kani"
"Ingotaura plus ukandiisira handina munhu
wekutaura naye paApp pacho"

"Unotaura neni"

"Handina nyaya newe ini"said Rue.

Foni yakabva yakata asi ndakanzwa


kamufaro mandiri pandakapedza kutaura
nemusikana uyu.Chinhu chakaita kuti
nditange kufarira Ruvimbo inyaya yediary
rake randakaverenga.Ndakanzwa
kurwadziwa nezvandakaverenga
imomo.Ndaida kumubatsira kuti atore
maresult ake ari kuchikoro chishuwo chake
anoda kuita zvenursing.Moyo wangu
waindiudza kuti ndimubatsire.

Ndakadzoka kumba Yeu asipo apa anga


aenda nemakeys acho.Ndakamufonera akati
ava kuuya.Akasvika akabata paperbag raiva
nenyama.

"Sorry daddy ndazobuda kuenda kubutcher"

"Okay no problem but paweekend ndiri kuda


kuenda kumusha"

"Every weekend unoenda kumusha kumbori


nei.Asi une mukadzi ikoko here
handichazvinzwisise"

"Ndotadza kuenda kumba kwangu here Yeu"

"Zvanyanya izvi manje this time tinoenda


tese ndava mukadzi wako"

"Yeukai handidi munhu anondimhanyira


mberi.Hapana kwauri kuenda ndine zvandiri
kufambira zvakakosha"

"Whatever!!"
Ndakadya chikafu ndega Yeu
akaramwa.Akafuga gumbezi rake
ega.Makuseni hatina kutaudzana ndakaona
kuti ndaitadza ndiri kuita selfish ndinofana
kuonesawo umwe wangu zvandiri kufunga.

"Ummm babe sorry" ndakadaro

"Wakandibhowa ndakuzviona kuti haundide"

"Ndinokuda mukadzi wangu mira paweekend


toenda tese ndinoku introducer kune family
yangu"
"Hiiiiiiiii shuwa here daddy" said Yeukai
achipa hug.

"Yes shuwa next week yacho ndobva


ndaenda kunobvisira kumba kwenyu"

"Ummm handisi kugona nekufara.Tobva


tazoita nemuchato wacho vavengi vanyare"

"Obvious muchato hatiregi" ndakadaro.

"Ko vabereki vako vakasandifarira unobva


wandiramba here"
"Ndichikurambirei wakasarudzwa nemoyo
wangu.Handisi kukuroora kufadza vabereki
vangu asi inini.Mai vangu munhu anonamata
vanotokufarira obvious asi sis vangu
vakakura musoro ndivo vangatonetsa"

Takapinda mutown ndikatengera Yeukai


hembe dzinodhura chaidzo.Kana iye wacho
akatoshamisika nazvo.Ndakabva
ndamurukisa futi ndaida kuenda naye
akanyatsa kubuda kunaka kwake kwese.

"Daddy makaiwanepi mari yese iyi"


"Ndinoshanda babe inga unozviziva wani"

"But takufana kubatanidza mari yedu toronga


pamwe chete semurume nemkadzi"said Yeu.

"Wauya nepfungwa yakanaka"

Takadyira mutown kumba takasvika


nekurara.Kalife kemari kanongofadzawo
so.Makuseni Yeu akutsvaira akaona tsvimbo
iya pasi pebed.

"Tsvimbo iyi sei ichipenya kudai"


Ndakarohwa nehana ndichiona Yeu akabata
tsvimbo iyo.Ko yadzoka sei yandakarasa
kure.Ndakatozviudza kuti ndofana kudzosa
tsvimbo iyi kunaSekuru Urimbo.Hapana
zvairi kundibatsira asi kundityisa.

"Daddy chiiko"

"Ummm hapana"

Zuva rekuenda kumusha racho


rakasvika.Yeukai akarova smart akanyatsa
kuzora make up yake.Takapinda muroad
ndikarova mota.Takasvika masikati chaiwo
tikambomira pagrowth point ndaida vanhu
vandione kuti ndakanamura getsi chairo
padhorobha.Hapana munhu aiti
akapfuudzana naYeu otadza
kucheuka.Ndaizvipa sando kuti ndakaita
good choice ndaingonamata kuti dai mai
vangu vakamutambira.Haa vanomutambira
ukaona vakatadza kutambira musikana uyu
vanenge vatoriwo nepurobhuremu.

"kumba tosvika time time ndoda


kumbokuratidza nzvimbo yandakakurira"

"Daddy ko uko ndekupi"

"Hooo uko kubridge handei netsoka mota


tosiya pano"
Takatanga kufamba zvedu takabatana
maoko ndichimuratidza nzvimbo.Takasvika
pabridge paya Yeu akatanga kuzvitora
mapictures.

"Ngatichienda"

"But Yeu ndine nyaya yandikuda


kukubvunza"

"Bvunza"

"Inyaya yenhumbu unoziva ndakudawo


mwana ndosaka day riya ndakambobvunza
kuti hausi kunwa mapills here"

"Daddy nyaya iyoyo inonditambudza zuva


nezuva"

"Don't worry kuno kune ana madzibaba


vanogona kutibatsira"

"No handipinde church yemadzibaba"

"Handina kuti unopinda church yacho asi tiri


kundobatsirwa"
"Haaa tinoenda kwaDoctor I don't believe
zvana madzibaba izvi"

"Manje tinofana kuti titoenda uchida


usingade" ndakadaro ndatsamwa.

"Larry zvomanikidzwa munhu here.Ndati


toenda kwadoctor"

"Ko sei uri kuramba kuenda kuna ana


madzibaba uri kuzama kushoora church
yangu here taura tinzwe"

Yeukai haana kupindura akagara


pasi.Ndakaona munhu ava
kuchema.Ndakaramba ndakamutarisa moyo
wangu wakarwadza kumuona
achichema.Ndakazvituka nekumuitira hasha.

"Sorry mukadzi wangu.Toenda kwadoctor


kwacho"

Yeu akasimuka akandipa hug


nekiss.Takadzokera kumota takutaura
dzimwe nyaya.Takapinda mumota tikananga
kumba.Everyone anga aripo pamba
kusanganisira namudhara wangu.Takapinda
kumba Yeu anga akunyara akabva agara
pasi chaipo kuratidza hunhu.Kana ndega
ndakanyemwerera kuti ndakaona munhu ane
tsika.
"nhai mwanangu ungabva wagara pasi
pakasviba kudaro" vakabvunza mai vangu
vachireva Yeu.

"No mhamha pari right"

"Larry tipe ma intro acho ndiani uyu


wandisina kuziva" vakabvunza mhamha.

"Mhamha ndiye musikana wangu wandiri


kuda kuroora anonzi Yeukai" ndakadaro.

"Watii ani wati chii handina kunzwa


dzokorodza zvawataura" vakadaro mai
vangu vasimuka vakarereka nzeve kwandiri.

*thanks nemacomments enyu*

Mukaona book risina kuuya munyori anenge


asina bundle musazoti husimbe

Watch out for chapter 21


*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/KoKeTueW25b8hl
FEt6neRg
*_Like our FB page_*
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 21*
*Larry*

"Watii ani wati chii handina kunzwa


dzokorodza zvawataura" vakadaro mai
vangu vasimuka vakarereka musoro kwandiri
vachida kunyatsa kunzwa.

"Mhamha asi mava neproblem yenzeve


here.Ndati uyu anonzi Yeukai ndiye ruva
remoyo wangu ndiye wandikuda kuroora"

"Ndiwe Yeukai wacho wapandutsa mwana


wangu.Sorry kukuudza izvi handikwanise
kukutambira semuroora wangu uri kuratidza
kuti uri muhombe kune first born yangu Rita"
said mhamha.

"Mai Rita ndokumbirawo unyarare.Larry


akura uyu unoda kumuudzira munhu
wekuroora here.Musiye aroore munhu
waanoda ndiye azvida kana vachiwirirana
handioni sepane chakaipa" vakadaro baba
vangu.

"Hehehede mwana wandakazvara inini haasi


kuzoroora Yeukai uyu.Izvozvo ndaramba
munhu uyu ndatomuongorora anogona
akamboroorwa ane vana chete"

"Mhamha kana musingadi musikana wangu


motaura zvakanaka kwete kuzomutuka
kwamava kuita" ndakadaro.

"Hure ihure ngaabve pano.Hautonyari kuda


chembere yakadai kana nemi daddy
munosapotawo zvisina basa" said Rita.

Akabva apihwa mbama nadad.

"Baba Rita warova mwana wangu nenyaya


yehure iri here" vakabvunza mhamha.

"Mai Rita handidi zvekujairirwa endai


munopengera kure.Chaunofana kuziva
haukwanise kupatsanura vanodanana
vachangoroorana uchida usingade nekuti
Larry ndiye waari kuda"

"Ndinoda kuzviona izvozvo hazviitike ndiri


mupenyu.Imimi baba Rita munazvowo
musaita kunga munoda kuzorarawo
naYeukai wacho"

"Mai Rita behave semunhu akura akuda


kuitawo vazukuru.Mkoma vako Gift havana
kuroora mukadzi muhombe kwavari
here.Wakadii kupopota sezvauri kuita
apa.Havasi kugarisana zvakanaka here
hausiwe unoti mukadzi wamkoma vako ane
tsika nemoyo wakanaka" vakadaro mudhara.

Mhamha havana zvavakataura vakabuda


mudinning.Rita akabva ateverawo pamwe
chete naRuvimbo anga ari zii.

"Don't worry my son mai vako ndichataura


navo" said dad vakabva vatobuda.

Ndakatofara kuti atleast dad vaiva kuside


kwangu.Yeu anga asisina mufaro.Takaenda
kunogara kumota anga angori zii.

"Sorry babe"

"No ndozvinzwisisa hangu.Ko uyu haasiye


Ruvimbo here wandaona ane mimba"
"Ndiye sei wabvunza"

"Ari kutsvagei pamba penyu"

Ndakamutsanangurira zvakaita azogara


pamba pedu.Ndaifunga munhu achanzwawo
tsitsi ava kutonditsamwira.

"Saka chiii chotsamwisa apa" ndakabvunza.

"Larry hausi ukuda kundiitisa


here.Ndinorangarira uchiti wakavenga
Ruvimbo saka wakatozvisapota zvekuti
agare pambe penyu"

"No hausi kunzwisisa Yeu"

"Asi inhumbu yako here"

"Yeukai dzikama ndoda munhu


anonzwisisa.Moyo wangu wakatondiudza
kuti ndaivenga Rue asina nemhosva.Life
yemusikana uyu inonzwisa tsitsi"

Yeu akapinda mumota asina


kundipindura.Zvemunhu anoita mamood
ndaisambozvida ndakamusiya
akadaro.Ndakadzoka mumba ndikasvika
mhamha vari kupopotedzana namudhara.

"Larry musikana wako handidi kutomuona


pamba pangu" said mhamha.

"Akuitai sei inga munhu angori netsika


nehunhu.I know hamusi kumufarira nenyaya
ye age yake.As long tichiwirirana achindipa
respect yandoda ndongomuda.Imimi munoda
ndiroore vechidiki vasati vakuziva chinhu
vasina kana nerespect chaiyo.I love Yeu
nenyaya yekuti ava mature uye ane respect"

"Amen my son wanyatsa kutaura ndofunga


mai vako vanzwa" vakadaro dad.

"Ndafara kuti atleast muri kuside kwangu


dad.Next week ndoda kutomuroora
musikana uyu handingagari nemwana
wevanhu ndisina kubvisira"

"Larry wasarudza hure rako iro wakundiona


sebenzi nhai ka.Ndiri kuzama kuda
kukuonesa kuti musikana uyu haite respect
ipi yaunondiudza.Dressing yakapfeka
musikana wako inoratidza respect here
musada kundiona semwana mudiki.Larry
ndati munhu wako andidi kumuona pano
ndapedza" vakabva vatobuda.
Handisati ndakamboona mai vangu
vakatsamwa sezuva iri.Ndakaona vakutora
road yekumba kwaMai Ruvimbo.Ndakadzoka
kutown ndakagumbuka nemaitiro amai
vangu.Yeu anga angori zii ameno aifungei.

"Uri kufungei"

"Siyana neni Larry.Ndaiti Joker anonyepa


pakambondiudza kuti unoda Ruvimbo
hazvishamisi nhumbu yainayo ndeyako"

"Yeukai usandijairira une evidence here


inotaura kuti nhumbu ina Ruvimbo
ndeyangu.Taura zvinhu zvaunoziva kahunhu
kako kawava kutanga aka handikade"
"Ukuita hasha dzei ipapa.Ndaona matarisiro
anga akakuita Ruvimbo handina
kumafarira.Obvious ndiye akasvibisa zita
rangu kuna mai vako hakuna umwe manje
neni topedzerana.Time dzanga dzichindituka
mai vako ndamuona achiseka nxaaa i hate
chiRuvimbo chenyu"

"Ruvimbo is innocent musiye.Rita ndiye


wandingafungira akasvibisa zita rako kwete
Ruvimbo."

"Why uri kudefender Ruvimbo manje ini


handisi kuzomusiya topedzerana"
"Unoda kumuita sei nhai"

"Ihondo dzevasikana usapindira"

"Kabehavior aka wakakaona kupi nhai.Mira


ndichikuudza ndikanzwa kuti pane something
chaitika kuna Ruvimbo I will kill you"
ndakadaro ndava nehasha

"What!! Larry une chokwadi nezvawataura"

Ndakamusiya pamba ndikaenda kubhawa


kunonwa ndanga ndine hasha.Ndoshaya
Yeu mweya wekuda kuita hutsinye
akauwana kupi.Ruvimbo haana mhosva
panyaya iyi.Yeu akangorwadziwa nekuti sei
Ruvimbo akugara pamba pedu.

Ndakaenda kumba
ndakadhakwa.Ndakasvika nekurara handina
kumbotaura naYeukai.Makuseni Yeukai
akamuka achikumbira ruregerero.

"Sorry daddy kungoti ndine jealous too much


handidi nemi.Asi kutaura shuwa matarisiro
anga achikuitai Ruvimbo handina kumafarira
akaita kunga hure hure hameno"

"Okay honey"
Mazuva akafamba ndakafunga kudzosera
tsvimbo iya kuna sekuru Urimbo.Ndakaenda
netsvimbo iya.

"Sekuru ndadzoka netsvimbo yenyu"

"Wakatyora mhiko muzukuru.Takabvumirana


kuti tsvimbo iyi waizouya nayo paunouya
nemari yechitatu asi hauna kuita sekudaro"

"Pakanganisika sekuru chingotambirai


tsvimbo"
"Hapana tsvimbo yandiri kutambira kusvika
wauya nemari yaunayo yese"vakadaro
sekuru.

"Hazviite nekuti mari iyoyo ndiyo


yakutochinja hupenyu hwangu.Mwari ndivo
vakaita ndiwane mari iyoyo ndanga
ndakusarudza nzira yakaipa kuuya kwamuri
ndakazviudzwa kuchurch" ndakadaro.

Ndakaisa tsvimbo iya pamberi pavo.

"Tsvimbo yenyu iyo hapana


zvayakandibatsira ndini ndakatoita loss
nemari yandakakupai.Dai ndine moyo
wakaipa ndaiti dzoserai mari yangu manje
handidaro byee"

Ndakabva ndatodzokera kumba ndichiseka


mashoko aSekuru ava.Shuwa vanganditi
huya nemari yese.Ndichisvika kumba
ndakaona tsvimbo iya pabed ndakarohwa
nehana.Ndakaramba ndakaitarisa ndine
kutya kukuru mandiri.

Ndakaitora ndikaisa pasi pebed.Sekuru


Urimbo ndaida kuzopedzerana navo
zvangu.Ndanga ndavanzwira tsitsi manje
vakufana kudzosa mari yangu.
Zuva rekuenda kunoroora kumba kwana
Yeukai rakakwana.Asi mudhara vangu
havana kuuya vakafonerwa kubasa
kwavo.Ndakangouya naBaba Maka vanova
munin'ina waBaba vangu.Takasvika
tikatambirwa zvakanaka.

"Mari yese iyi ikuda kunorooresa here"

"Ehe"

Patakaona vanonzi Mai Yeukai vacho


ndakaona bamunini vangu vavhura ziso
zvekushamiswa.Asi hapana
zvavakataura.Zvinoitwa zvakaitwa
ndakashamika baba Maka vachiti ngatibvise
mari shoma takaita sekudaro.Ndakashaya
sei vadaro vakabva vati imwe tiri kupedzisa
very soon.

"Waratidza kundichipisa Larry why"said Yeu


achindibvunza takamira pamota.

"Ummm baba Maka ndivo vachinja zvinhu


zvese mira ndigobvunza vazviitirei"

Ndakaenda kumota kwaiva nababa


Maka.Ndakasvika vari pacall.

"Larry dai wakaterera mai vako vanga vari


right" said baba Maka.
"Why"

"Mukadzi uyo wamuri kuti mai Yeukai


ndomuziva kana iye anondiziva"

"Ndiudzei kuti movaziverepi Mai Yeu"

"Mira ndiende kutoilet ndiri kudzoka


ndichikuudza"

Vakabva vaenda kutoilet ndakasara


ndakavamirira.Ndakapedza nguva
ndakamira munhu asati
angodzoka.Ndakafunga kuti zvimwe kune
kwavaenda.Ndakazoona dzava kusvika 1hr
30mins munhu asati adzoka.Ndakatevera
ndichivatsvaga asi handina kuvaona...

_drop your comments_

*Watch out for chapter 22*


*MOYO WANGU*
_my heart_
https://chat.whatsapp.com/KoKeTueW25b8hl
FEt6neRg
*_Like our FB page_*
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 22*
*Ruvimbo*

Pakauya Larry achiratidza vabereki vake


musikana wake, moyo wangu
wakarwadza.Ndakanzwa jealous for the first
time muhupenyu hwangu.Ndaishaya chii
chaitika pandiri.Mai Rita vanga vasisina
mufaro ,nguva zhinji vaigara vari zii.Vanga
vasingachataurise sezvavaimboita.Moyo
wangu wakarwadza kuona mai ava
vachirwadziwa.Ndakatanga kuyeredza
misodzi ndakavatarisa ameno vakazviona
sei.
"Ruvimbo uri kuchemei waitwa sei"
vakabvunza.

"Moyo wangu unorwadza kuona


makasuwa.Ndaku------"

"No my daughter handina kutsamwa.Chiuya


ugare apa ndikuudze nyaya" said Mai Rita.

Vakabva vandirarisa pamakumbo avo


vachindipuruzira musoro wangu.

"Next time handidi kukuona


uchichema.Unoziva pandokuona ndobva
ndafunga mwana wangu Ranisha.I miss my
daughter ndiye wandiri kufunga.Unoziva
chinondirwadza Mwari vakakurumidza
kumutora asati azadzisa madreams ake"

"Kana neni ndamusuwa anga asina hutsinye


nemunhu.Ngatingotambira zviripo"

Rita akabva apinda akagara pasi akabata


musoro achiratidza kuti pane zvaimunetsa.

"Ko chiii nhai Rita"

"Mhamha hamuna chamuri kuziva hanzi


Bamunini havasi kuwanikwa" said Rita.
"Bamunini vapi vacho" vakabvunza mhamha.

"Baba Maka"

"Inga wani vakaenda naLarry kunoroora hure


riya.Handidi kutonzwa nezvetopic iyi pano"

"Larry ndiye afona achindiudza atoti aendesa


nyaya kumapurisa ati ndisaudza Mai
Maka"said Rita.

"What!!! ndaiva nebad feeling pana Yeukai


haasi munhu bhoo uya akatakura kurema
paari"said mhamha.
"Mai Tamia vakandiudza something
pamusoro paYeukai.Ndakada kumboudza
mkoma Larry zvepamusoro pemusikana
wavo asi ndanyarara nekuti aizoona
sendikuita jealous naye" ndakadaro.

"Ruvimbo unonyarara sei uchiziva zvaari


wakadiii kundiudza ndakamufumura"
vakadaro mhamha.

"Sorry nda----"

"No problem my daughter ndiudze hako"


"Yeukai anonzi akauraya murume wake
mushure mekunga amuwanikidza akarara
nasis vake" ndakadaro.

"Sis vake vakanyepera Yeu kuti


vamanikidzwa iye Yeu akazvitenda nekuti ari
too close nasis vake
zvakanyanya"ndakadaro.

Mai Rita naRita vakabata muromo


nekushamiswa nezvandakataura.Ndakaona
vese havana kutenda zvandakataura
vakafonera Mai Tamia.Vakangoudzwa
zvandavaudza futi.
"Ndosaka Larry anga asingachanditumiri
mari nhai inyaya yehure iri.Ari kungoda mari
pamwana wangu akaona kuti mwana wangu
ane bright future.Iye Larry wacho akapusawo
kubva adyira mbuya yakadaro ndoda
kumusiya akadaro ndiko kuti adzidze.Larry
ndakaedza kumuonesa pano akaratidza kuti
anoda hure rake kupfuura inini.Handichadi
kumuona kusvika asiyana nehure rake" said
Mai Rita.

"Matogona ane hunhu hwakaora Larry.Kuita


tumari akutozviona seakandikurira haachadi
kutiterera"

"Mhamha I feel kuti Larry munhu kwaye ini.I


think akushandisirwa mushonga don't blame
him but tofana kumunamatira"ndakadaro.

Rita akabva aramba akanditarisa.Akasimuka


akafamba kuuya kwandiri ndakafunga kuti
akuda kundirova.Ndakatanga kutochema.

"Ummm mhamha maona zvandaona here"


said Rita.

"Waonei chiii"

Rita akataurira mai vake munzeve.Ndakaona


mai vake vanditarisa ndakafunga kuti pamwe
vakuronga kuda kundidzinga.
"Sorry handichazviiti futi please
ndiregerereiwo musandidzingawo"
ndakadaro ndapfugama

"No Ruvimbo wafunga zvisizvo.Rita andiudza


kuti nhumbu yako inofarira Larry chete"

"Aaah haimufarire inofarira Rita nemi chete


ndofunga kamusikana chete" ndakadaro.

"Ndoda kaite kamusikana ndini ndichakapa


zita satete"

"Tete?"
"Sorry I mean sabesty wako" said Rita.

Takabva tabuda naRita tichiswatudza


makumbo.Foni yakabva yatanga kurira
ndakafunga ndi Larry ari kufona ndakaona iri
new number.

"Hello ndiani"

"I'm your future husband"

"Ukuziva ukutaura nani here" ndakadaro


"Yes naRuvimbo"

"Ndiwe ani"

"Joker"

"Hooo uri sei"

"Handisi bhoo ndoda kuuya mangwana ndine


something chandikuda kukuudza"

"Something chei taura pafoni"


"Zvinoda face to face babe saka ndouya
here"

"Handikwanise kukuona chero ukauya nekuti


handidi vanhu vazondifungira zvisizvo kana
vandiona ndakamira newe"

Ndakabva ndatokata foni


yacho.Ndaisamboda kuti auye kuno.Ko chii
chanoda kundiudza.Rita ndakamuudzawo
akati dai wamusiya auye akuudza something
chacho maybe aida kukuudza munhu
akakurepa.
"Muisire text umuudze kuti huya"said Rita.

"Anondibhowa uyu munhu nyaya dzake


ndedze kundipfimba chete"

Rita akangoseka akatora foni yangu akatexta


kuna Joker.

"muudze auye naLarry" ndakadaro

"Wamusuwa ka"
"No ndoda kungomuona hangu"

"Rega ndinyarare hangu"

Takazodzokera kumba zuva rava


kuvira.Makuseni Joker akatexta achiti ava
kuuya andina kupindura.Ndakamuti
ngatisangane kubridge kusinganyanyi
kufamba vanhu vakawanda.Ndakasvika
pabridge paya ndikaona mota yaLarry
ndakafara kuti auyawo.Mufaro wakazopera
pakabuda Joker mumota muya.

"My queen how are you"


"I'm not your Queen.Where is Larry"

"Unoda kumudii ari busy kugadzira muchato


nemukadzi wake"

"Hooo"

"Yes huya titaure takagara mumota" said


Joker.

"No handei togara pamatombo ayo"

Ndakaenda kunogara paside nematombo


aiva paside nerwizi.Joker akatoverawo
akabata paperbag reblack handina kuona
kuti mukati maiva nechii.

"Ruvimbo ndanga ndakusuwa apa uri


kuwedzera kunaka mazuvano"

"Hoo thanks ko wavingei"

"Tanga kudya chikafu ichi ndozokuudza


wapedya kudya"

"Sorry ndiri pamutsanyo" ndakanyepa


ndichidaro.
Kutaura chokwadi chikafu ndaichida asi
moyo wangu wakandirambira kuti ndidye.

"Umm okay ndine nyaya yandikuda kutaura"

"Taura tinzwe"

"Ndiri kuda kukuudza munhu akakubata


chibharo ndiri kumuziva" paakangodaro
ndakabva ndasimuka ndichienda paari.

"Taura ndiani iyeye"


"Promise me kuti hauzotsamwi"

"Saka unoda ndifare here.Munhu iyeye


akauraya future yangu nxaa ndiani"

"Chero ukatsamwa zvichabatsirei


nhai.Ingotambira zviripo ndabva kutown uko
ndichiti ndikuda kubatsira iwewe kukuudza
baba vemwana ari mudumbu mako.Mwana
wako paachakura achakubvunza kuti baba
vake varipi unomuti chii"

"Okay ndanzwisisa chindiudza


handichatsamwi" ndakadaro ndakusekerera.
Joker akaramba akanditarisa
achisekerera.Ndoshaya chii chaisekesa
ipapa.

"Taura ndiani"

"Baba vemwana vako vari pano"

"What uri kuzama kuti chii"

"Ndati ndini baba vemwana vako asi hazvina


kuitika ndichida trust me" said Joker.
"So ndiwe wakandirepa uri satan nda----"
handina kupedza kutaura ndamupa mbama
iri strong.

Ndakarwadziwa zvakanyanya ndakachema


akazama kuda kundinyaradza ndakamutema
nematombo akaenda kunomira kumota
kwake.

"I hate you Joker.Ndiri kuenda kumapurisa


unonyura chete"

"Kumapurisa kunodii usina evidence


yacho.Ndakuudza kuti yaisava plan
yangu.Plan yese yakarongwa naLarry
kungoti haundinzwisise nekuti uno trust Larry
than me"

"Wati Larry akaita sei"

"Larry akaisa mushonga mudrink rangu


rekuti ndinwe kuda musikana.Patime dzacho
ndakabva ndaenda pana Tamia iye Larry
akandibvisa ipapo akandiendesa kuroom
kwako ndipo pandakakuona wakararawo
pabed ndikabva ndarara newe.Don't blame
me yaisava mhosva yangu"

Ndakagara pasi ndikaridza mhere


ndakachema kusvika shungu dzapera.Why
Larry aine hutsinye wakadaro
ndakamutadzirei.Saka yaiva revenge yekuti
ndakaita varambane naDeviya here.

"Ruvimbo"

"Siyana neni"

Ndakanzwa kumuvenga Larry nemoyo


wangu wese.Joker akazama kuda kutaura
neni ndakamutuka akasiyana
neni.Ndakaenda kumba ndikasvika
nekuzvikandira pabed.Rita ndakamuudza
zvandaudzwa naJoker.Ndakamuona ava
kuyeredzaso misodzi.Mai Rita vakanzwa
zvatakataura vanga vakamira padoor...
_drop your comments_

*Watch out for chapter 23*


*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/KoKeTueW25b8hl
FEt6neRg
*_Like our FB page_*
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/
_Written by *King Lee*_
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_

*Chapter 23*

*Larry*

Ndakaedza kutsvaga baba Maka handina


kuvaona.Ndakasvika kuendesa nyaya yacho
kumapurisa.Moyo wangu hauna kuwana
rugare ndaingonamata kuti bamunini vangu
dai vawanikwa.Foni yangu yakapinda call
vaiva mai Maka vaifona.

"Hello mainini"

"Ko baba Maka varipi sei foni yavo iri


kuramba" vakabvunza.

"Aaah pane zvakaitika zvinoda ndiuye ikoko


ndikuudzei"

"What asi makaurayisa murume wangu here


ndiudze" vakadaro nevoice raiva pamusoro.

"No moms musandifungira izvozvo.Ndingaita


izvozvo kune hama yangu here"

Foni yakabva yakata ndipo pakasvika Joker


achida mota yangu.Ndaitova nestress
dzangu ndakamunyima.Yeu akapindira
nyaya yacho.

"Joker is your friend ungabva wamunyima


mota here nhai anodzoka nayo"said Yeu.
"Okay ngatore nditori nestress"

Joker akatora mota akabuda.Ndakabuda


ndichiendawo kwaivakwa imba yangu.Yanga
yakutopera ndaka feeler kuti pane munhu
ainditevera.Ndakacheuka ndikaona Yeu
achidongorera pachimwe chi
corner.Ndakaenda paari akavhunduka kuti
ndanga ndamuona nguvai.

"Saka unoita basa rekunditevera kuti zviite


sei"

"Imba yaani iri kuvakwa apa"


"This is my house Yeukai"

"Wow iwe mari yekuvakisa uri kumboiwana


kupi"

"Kubasa kwatiri kushanda ndingaiwanepi


mari" ndakadaro.

"Hooo okay"

"Yeukai ndiri kuda kuenda kumusha


paweekend.Ndoda kubatsira Ruvimbo kuti
atore maresult ake"
"Ruvimbo ambori nechiii chinoshamisira chiri
paari chandisina.Munhu asati akugona kana
kupfeka ndiye waunoda kupfuura ini.Manje
ndiri mukadzi wako hapana mari iri
kunobatsira Ruvimbo tine zvakawanda zvatiri
kuda kuishandisa"

"Ndaisaziva kuti une hutsinye


kudaro.Akakuita sei musikana waunovenga
kudaro.Yes uri right kuti uri mukadzi wangu
asi ini ndini musoro wemba unoita
zvandataura ndapedza newe"

Ndakaenda kubhawa kunonwa.Manheru


Joker akadzoka nemota yangu achifara
zvake.
"Ko wanga waendepi"

"Pane kwandanga ndasvika.Ko wadii tamirira


muchato mukuita sei"said Joker.

"Muchato waani"

"Wako naYeukai"

"Why uchindipa pressure ndichazochata


kana ndakuda now ndine zvakawanda
zvandiri kuda kugadzirisa"ndakadaro.
"Handisi kukupa pressure ndiwe waindiudza
madays aya kuti unoda kuzochata.You know
Yeu akatsamwa wakaratidza kumuchipisa
kumarooro uko.Uchida kumufadza ronga
muchato wepamusoro"

"Bamunini vangu havasi kuwanikwa, handisi


kuwirirana nefamily yangu iwe wouya
wondiudza kuti chata.Ndiri kuzviziva kuti Yeu
ndiye akutuma kuti utaure izvi ini handidi
zvekuenderwa mberi"

Ndakashaya kuti Yeukai kabehavior kaanga


ava nako aikawana kupi.Ndakatoona sekuti
Joker ndiye aifurira mukadzi wangu.Deviya
haana kumbobvira aisa call yekundiudza kuti
ava nenhumbu saka zvoreva kuti ndini ndine
problem nhai.

Ndakaona kuti ndikada kutaura naYeu kuti


asiye kabehavior kaava kutanga hapana
paimbondinzwisisa, ndakaenda kumba
kwesister yake.

"Gulez zvava kuitwa naYeu handizvifarire


better mutaure naye nguva iripo ngasatora
advantage yekuti ndakaperera paari"

"Ari kuita sei Yeu wacho"


"Akatuma Joker kuti ataure zvekuti ndichate
naye anodii kuzvitaura ega pane kutuma
munhu.Kabehavior kake kakadhakwa"

"Don't worry ndichataura naye.Munofana


kuronga zvinhu zvenyu muri vaviri semurume
nemukadzi"

"Ndoronga sei iye achinoudza Joker.Ndava


kutotanga kuzvituka kuti ndakaita dzungu
pakumhanya kuroora Yeu ndisati
ndamudzidza ndaiti zvimwe munhu
kwaye.Hapana kana effort yaari kumboisa
pakutsvagawo bamunini vangu"
"Ndichataura naye don't worry" said Sharo.

Weekend yakasvika ndikamukira kuenda


kumusha.

"Wauya kuona ani pano.Handidi kuona tsoka


yako pano" said mai vangu.

"Mhamha I know makatsamwa please ndipei


mukana wekutaura nemi"

"Hapana mukana wandinokupa.Ndaisaziva


kuti uri so evil ndiwe wakaronga zvekubatwa
chibharo kwaRuvimbo ko akakutadzirei.Larry
I will never forgive you nezvawakaita handina
mwana satan akadaro.I think hausi mwana
wangu ndinenge ndakachinjirwa mwana
muhospital chete" said mhamha.

"Matii ndakaronga zvekubatwa chibharo


kwaRuvimbo.Mhamha panyaya iyo handina
zvandinoziva ko mazviwana kupi zvamuri
kutaura.Saka mhamha mava kundiramba
nenyaya yamusina evidence nayo here"

"Baba Maka varipi taura tinzwe.Larry wava


mhondi unogona wakatauraya bamunini
vako mese nerwukadzi rwako"

Ndaitarisira kuti zvimwe mhamha


vachandinzwisisawo.Ndakadzoka kumota
kwangu.Ndakaenda kuchikoro kwaidzidza
Ruvimbo ndikabhadhara chikwereti chaivapo
ndikapihwa maresult ake.Anga akapasa
ose.Ndakaenda kunopa kaRutendo maresult
acho.

"Wozopa sis vako maresult aya"

"Aaah mamawanepi maresult eyi aya"

"Unozovapa chete handina kuwana chance


yekutaura navo"

"Okay ko mazepi angu aripi"


"Ndakanganwa"

"Saka hamundifarire"

"Okay handei tinotenga nekuti ndinoda


kudzokera nhasi" ndakadaro.

Ndakamutengera ndikamusiya
pamashops.Ndakarova pasi kudzokera
kutown.Ndava pabridge ndakaona Ruvimbo
akagara pamatombo aiva paside
nerwizi.Ndakamisa mota paside ndikaenda
kwaari.
"Ruvimbo"

"You evil ukudei"

"Ruvimbo dzikama titaure takagara pasi


hasha hadzina zvadzobatsira"

Ruvimbo akandirova rova achichema


akandipusha ndikadonhera mumvura.Foni
yangu inodhura ikadonhera mumvura
ndakarwadziwa ndakada kuita hasha
ndikazvidzora.Rue akatora foni yangu
akaikanda kwakadzika dzika kwekuti
ndaisaikwanisa kunoitora.
"Larry ndiwe wakaronga zvese zvekuti
ndizobatwa chibharo why.I will never forgive
you"

"Ruvimbo hapana zvandakaronga ini.Can


you tell me ndiani akakuudzai izvi"

"Handikwanise kukuudza asi chingoziva kuti


ndibaba vemwana wangu ari
mudumbu.Ndikakuudza ungazomuuraya
zvamakaita Baba Maka kamwana kangu
kakakura kasina baba"

"Ruvimbo believe me handina zvandakaita


hapana chandiri kuziva"

Ruvimbo haana kunzwisisa ndakamusiya


akadaro.Ndakadzokera kutown
ndichirwadziwa.Kubvira ndizvarwe handisati
ndakamborwadziwa seday iri.Ko ndiani
akaudza Ruvimbo namhamha
zvisizvo.Obvious ndiJoker chete ndiye
aitaura zvekuti anoda kuroora Ruvimbo.Ko
adii kupfimba zvakanaka pasina kushatisa
zita rangu.

Zuva iri ndakafunga Wesley kuti dai aripo


aikwanisa kundinzwisisawo nekundipa ma
advices.Pandakasvika pamba Yeu handina
kumbotaura naye.Iye akatozviona ndaisava
mumood.Akazama matricks ekuda
kundifadza but zuva iri ndaiva
ndakabhoekana.

"Wabva kunorara naRuvimbo hauchadi


kurara neni"

"Yeukai dai waiziva kuti everyone kumba uko


andivenga kusanganisira mai vangu
vakandibereka mashoko avataura
andirwadza"

"Mai vako vane problem ndakavaona hako


siyana nazvo"
"Uchida tiwirirane usafa wakataura
zvekudzikisira mai vangu.Chero ukataura
zvipi she is still my mother hazvichinje"

"Ummm sorry daddy"

"Joker pakakumbira mota akaenda kupi"

"Handizive sei wabvunza"

"I think ndiye akaudza Ruvimbo


zvekunyepa.Joker handichadi kumuona pano
kana iwe handidi kukuona uchitaura naye
ndatopedza"
Ndakabva ndatorara mangwana wacho
ndakamukira kubasa.Mai Tamia vakauya
vachida kundiona.

"Mai vako vari muhospital kutaura kuno"

"Chiii chakaitika"

"Larry unoda kuuraya munin'ina wangu


chete.Uri mwana akaita sei huh.Izvozvi zviri
kunzi BP yavo yakakwira ndatovaunza kuno"

"Mavaisa kuhospital ipi ndiende kunovaona


palunch"
"Tanga wasiyana naYeukai kana uchida
kunovaona"

Ndakatoona kuti handiwine ndakaramba


ndakanyarara.Everyone ari kucomplainer
about Yeukai.But sei ndisingaoni kuipa
kwake.Ndakaona kuti best way kuenda naye
kwamadzibaba Handiriya.Ndakafunga
kuenda naye asingazive.Ndaida madzibaba
vanditaurire something pamusoro paYeukai
kuti ndiye wangu chaiye here.
_drop your comments_

*Watch out for chapter 24*


*MOYO WANGU*
_my heart_

https://chat.whatsapp.com/KoKeTueW25b8hl
FEt6neRg
*_Like our FB page_*
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

_Written by *King Lee*_


~LeeMarzy~
+263774206587
_Edited by Memo_

*Chapter 24*

*Ruvimbo*

"Sis Ruvimbo ndauya nemaresult enyu"


kakadaro kaRutendo.
"Maresult api,ngatione"

Ndakatora ndikatanga kuverenga.Mufaro


wakazara mandiri ndakabata maresult angu
andaiva ndisisina tarisiro yekumatora.

"Ko wamaonepi asi mhamha vazobhadhara


chikwereti chiya here.Ko mari vakaiwana
kupi"

"Mukoma Larry ndivo vauya nawo I think


ndivo vabhadhara"

"Larry"
"Ehe ane moyo wakanaka anditengera
mazep.I wish kuti dai mukaroorwa naye kana
mhamha vanomufarira" said Rutendo

Larry anga andifadza pamaresult angu chero


ndanga ndakamutsamwira. Ndipo
pandakaona Deviya achiendawo kumba
kwana Rita aine kabag kake.Ndakatoziva
kuti something wrong chete.Ndakanzwa
noise ndikamhanya kuendako Deviya
ndaisamuchenesa anogona kungorova mai
Rita.

"Mhamha mungandituka hapana kwandiri


kuenda nditori nenhumbu yemwana
wenyu.Mamuudza kuti andidzimire foni ka
manje ndauya" said Deviya.

"Makapirana mimba pano here.Iwewe


waidanana naDesire saka ndoziva sei kuti
mimba yaLarry.Musikana iwewe ndagara
handifarire kahunhu kako pano haupagari
enda kutown kuna Larry"

"Udzai Larry auye kunditora.Munodzinga inini


ndakatakura muzukuru wenyu sei muchisiya
Ruvimbo ane mwana asina baba.Chimhuri
chana Ruvimbo ndechemahure ega ega
kutangira kuna mai zvinotonyadzisa"

"You young devil ukaramba uchitaura


zvekutuka family yangu ndinokubvisa
mazino" ndakadaro ndatsamwa.

Deviya akapihwa mbama naMai Rita.Haana


kudzorera akavatarisa neziso rine
kakurwadziwa mukati.

"Ibva pamba pangu now"

"Hapana kwandiri kuzoenda ini"

Mai Rita vakabva vangodonha


pasi.Ndakazama kuita zvekuti vamuke asi
havana.Rita akazosvikawo tikavamhanyisa
kuclinic.Rita akafonera Mai Tamia
achivaudza nekurwara kwamai vake.Rita
ndakamuudza zvaitika kusvika mai vake
vazodonha.

"Mabasa aLarry ese ekusadzikama


nxaa"said Rita.

Mai Tamia vakauya vakatora Mai Rita


kuenda navo kuchipatara chemutown.Rita
akaendawo ndikasara pamba na Deviya
airamba kubva.

"Deviya ndochii chauri kuita.Mai Rita


vakatadza kumuka ooh naMwari
ndinokuuraya chete" ndakadaro.
"Hapana zvandavaita ini vadonha vega inga
wazviona wani.Imhosva here kuti
ndakatakura muzukuru wavo"

"Waisafana kuita nharo navo.Dai


wangovakumbira kuti vafonere Larry wacho
zvopera kwete nharo dzako ipapa nhumbu
iyoyo inogona isiri yake futi"

"Larry ndewangu waifunga uchanditorera


wakadzva.Mwana uyu ndewa Larry
ndozviziva inini"said Deviya.

Ndakaramba ndakanyarara handina kuda


kumupindura asi ndainzwa kurwadziwa
handizive nei.Larry akabva andifonera apa
Deviya anga anditarisa achida kunzwa
ndaitaura nani.Ndakafunga kutombo ignowa
call yacho asi moyo wangu wakaramba.

"Ruvimbo" he said nekavoice kainzwisa tsitsi.

"Larry chiii"pandakadaro Deviya akavhura


ziso achibva abvuta foni yangu.

"Larry une shuwa unofonera Ruvimbo


usingafoneri inini why.Handina kuzvifarira
hangu"said Deviya.
...........

"Hautauri uchidaro chii chawakaona pana


Ruvimbo chandisina ini"

Ndakabvuta foni yacho zvekuti munhu


ashandise foni yangu achindituka
ndozvandisingadi.Ndakabva ndatoikata call
yacho.

"Ngafone pafoni pako wanzwa"


Ndakabva ndapinda muroom maRita
ndikarara.Deviya akarara mudinning akafuga
juzi rake.Pakati pehusiku Larry akafona
ndikabva ndakata ndaisada
zvekunetswa.Akafona futi kechipiri
ndikadaira but airatidza kuti pane zviri
kumunetsa.

"Larry ukudei kwandiri"

"Ruvimbo ndakusuwa day riya handina


kunyatsa kutaura newe wanga
wakanditsamwira.Kutaura chokwadi hapana
zvandoziva pakubatwa kwako chibharo"
"Larry unoziva ndaisafungira
ungadaro.Kutaura chokwadi ndakuvenga
pasi nekudenga.Mai vako vari muhospital
nekuda kwemabasa ako"

"Ruvimbo"

"Larry leave me alone.Fonera Deviya wako


ukudei kwandiri"ndakadaro nehasha.

"Ummm no ndikunzwa kuda kuramba


ndichinzwa voice rako ndonzwa zviri nani"

"Siyana neni.Fonera Deviya unzwe voice


rake nxaaa handisi musikana wako
waunofonera pakati pehusiku"

Ndakabva ndatokata call, pandaifunga kuti


akamitisa Deviya ndaibva ndawedzera
kumuvenga Larry.Makuseni Rita akauya ega
achiti akasiya mai vave nani.

"Ko iwewe pano unodei.Uri kuona paine


munhu akakumitisa here"said Rita.

"Tete Rita mungabva mandidaro here" said


Deviya.

"Handisi tete vako.Musikana iwewe


wakawanzira hanzvadzi yangu uchimuti
haana chanoziva panyaya dzerudo.Kubva
madays iwayo ndakabva ndakuvenga" said
Rita

"Kwaisava kuda kwangu Ruvimbo ndiye


akakonzeresa zvese"

"Hatisi kutaura zvaRue pano.Waigara


wakavharirwa kumba kwana Desire nhasi
wongomuka uchiti mimba ndeya Larry
zvakafamba sei"

"Dee ndakasiyana naye kare.Madays akauya


Larry ndiwo andakarara naye"
"Chinzwa manje pano hazviite
ugare.Ndikaramba ndichiona face yako
ndinonzwa kuda kukumamisa unondinzwisa
hasha.Ndiwe waita mai vangu vakwire BP"

Rita anga akuda kurova Deviya


ndikamubata.

"Tora mabag ako urove pasi izvozvi ndisati


ndakatumbura kamimba kako" said Rita.

Deviya akatora bag rake akabuda ari


zii.Hatina kuziva kuti akaendepi.Rita
akazondipa kabag kaiva nezvinhu
zvepreparation zvaanga atenga.

"Ruvimbo ndine something chandiri kuda


kukuudza"

"Tell me ndavhura nzeve"

"Ndakawana basa kutown"

"Wow really"

"Yes I'm happy but ndikurwadziwa kupesana


newe"
"No usandityira Rita.Unoziva ndafara nekuti
ndainamatira kuti uwanewo something
chaunoita muhupenyu"

"That's my best friend" said Rita.

"Eeh asikana hamuna kundiudza kuti ibasa


rei"

"Ummm re teaching"

"Unoda kunodzidzisa Maths zviya


ndakanzwa kuti waiva shasha ndakanzwa
mbiri yako kuchikoro"
"Haa maths kudya kwangu.Ruvimbo ndiwe
uchasara namai vangu take care of her
please makoti wangu"

"Watanga Rita ndiri makoti wako here ini"

"Ehe uri makoti wangu Rue hahaha


jokes.Zvandataura wazvinzwa moms vari
kuuya mangwana"

"Saka iwe uchaenda rini"

"Mangwana makuseni"
Kupesana nemunhu waunowirirana naye
kunorwadza.Manheru takanonoka kurara
tichitaura nyaya.Makuseni Rita akamukira
kuenda ndaingonamata kuti zvinhu zvake
zvifambe zvakanaka.Mai Rita vakazosvikawo
masikati vanga vava nani.

Ndakavabikira chikafu vakadya nekunwa


mapills avo.Vakabva vatorara handina kuda
kuvamutsa.Vakazomuka ndakagara paside
pavo.

"Ruvimbo i wish dai uriwe muroora


wangu.Une tsika nehunhu
zvandinoyemura.Munhu achakuroora
anenge awanirwa nyasha"

Ndakasekerera ndisina kuvapindura


vakandirarisa pamakumbo avo.Vanozvida
zvekundirarisa pamakumbo avo.Ndainyatsa
kunzwa kuti ndiri safe ndakarara
pamakumbo avo.

"I hope kuti Rutendo achakurawo


achitevedza hunhu hwako"

"Mhamha kaRutendo kakangwarisa kanoda


zvinhu ako"
"Inguva yacho mwanangu.I respect Mai vako
vakakudzidzisa tsika nehunhu.Vashoma
vasikana vakaita sewe muraini muno"

"Mhamha variko vakawanda"

Padoor pakaita knock ndikanovhura


ndikaona vari mai vangu vaina
Rutendo.Rutendo akabva andimbundira.

"Ruvimbo ndiani ita vapinde"said Mai Rita.

Mai vangu vakandipushira kuside


vakapinda.Ndakashaya kuti vanga
vachakanditsamwira nanhasi.Ndakavapa
space yekuti vataure naMai
Rita.Ndakanogara muroom maRita asi
zvavaitaura ndaizvinzwa sezvo room yacho
yaiva pedyo nedinning.

"Ko wava sei Mai Rita ndakazoita zvekunzwa


nemakuwa kuti hausi kunzwa zvakanaka"

"Mai Ruvimbo moyo wangu uri kurwadza.My


only son Larry apanduka.Chimukadzi
chaanacho chachinja mwana wangu
haachanditereri zviri kundirwadza"

"Everything will be okay sahwira.Vana ava


vanonetsa kana ini nanhasi zviri
kundinetsawo kugamuchira kuti Ruvimbo
wangu atozvitakura mwana mudiki akadai"

"Mai Ruvimbo munofana kunzwisisa.Zvinhu


izvi zvakaitika asingade kubatwa chibharo
haisi mhosva"

"Haana kubatwa chibharo.Ruvimbo anga ava


kungwarisa kubva zvakaenda kutown"

"Mai Ruvimbo ndiwe uri kundivimbisa kuti


zvinhu zvichanaka.I wish Ruvimbo ariye
muroora wangu mwana wako ane hunhu
hwandinoda.Anoterera tsika pamba padzo
kana Rita wangu chaiye haasvike".
"Zvipiko Mai Rita, Ruvimbo akangwarisa uyu
ipapa makavharwa nestatement rekunzi
ndakabatwa chibharo iye munhu achiziva
zvakaita"

"Ko diary rake makamboriverenga


here.Akazvinyora imomo nedate racho
mungati munhu anganyora nhema here.I
trust Ruvimbo"

"Ndakariverenga handina chandakaona


ini.Ngatisiye nyaya iyi ndanga ndauya
kungokuona kuti uri sei sahwira"

"Ndava nani asi moyo wangu uri kurwadza


mwana wangu akuparara ndakatarisa"

"Everything happens for a reason Mai


Rita.Ndinoda kukupai advice yekuti
mumufonere Larry ouya ega mogara naye
pasi pasina umwe munhu momubvunza chiri
kutora nzvimbo kana kuenda naye
kwaMadzibaba Ha ndiriya.Munogona
kublamer mwana iye akadyiswa" vakadaro
Mai vangu vachiita kunga munhu
anonzwisisa zvisingaite ivo vachitadza
kundinzwisisa.

"Okay ndichamufonera manheru.Ndinofana


kutoenda naye kwamadzibaba atobatsirwa
nguva iripo.He is my only son handidi
kumuruza ndisati ndabatawo vazukuru"
Vakabva vabuda vese.Ndakabva ndafunga
kuendawo kwamadzibaba Handiriya ndine
zvandaida vandiudze.Ndakasvika paine mota
yandakafananidza neya Larry.Ndakaenda
kuseri kwemba ndikasvika kuona Larry
akapfugama pamberi pavo uyu Yeu ari
paside pake asi anga ane misodzi
pamatama.Zvakandinetsa kuti Larry anouya
kumusha otadza kusvika kumba sei apa mai
vake havasi vanyatsa
kusimba.Ndakapfugamawo paside
paLarry.Yeu pakandiona akabva atosunga
chiso zvekuratidza kusvotwa neni...
_thanks nemacomments enyu_

*Watch out for chapter 25*


*MOYO WANGU*
_My heart_

https://chat.whatsapp.com/KoKeTueW25b8hl
FEt6neRg

*_Written by King Lee_*


~LeeMarzy~
+263774206587
_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562

*CHAPTER 25*

*Larry*

"Ko zvawakutora road yekumusha


kwenyu.Tiri kuendepi"

"Yeukai nyarara ndiri kuziva kwatiri kuenda


don't worry"

Yeukai akabva anyarara akatanga kubaya


baya foni.Takasvika pamba paMadzibaba
Handiriya, Yeukai akaramba kudzika
mumota.

" Tanga wandiudza pamba paani pano"

"Pamba pangu ndafara nekuuya kwenyu


ndinokutambirai nemufaro" vakadaro
Madzibaba Handiriya vachisvika patiri.

Yeukai anodzika mumota anoramba


akatarisa madzibaba.Ivo madzibaba
vanoramba vakatarisawo maoko
aYeukai.Ndakatarisawo asi hapana
chandakaona.Takaenda kuseri kwemba Yeu
airatidza kusafara nazvo.Takapfugama
pamberi pamadzibaba takatarisa
kumabvazuva.

"Madzibaba kuona tauya pano tine nyaya iri


kutinetsa hapana umwe angakwanisa
kutibatsira kunze kwenyu" ndakadaro.
"Matambudzika nenhau yemwana
here.Madzimai ava vane zvavakaita makore
apfuura ayo"

Ndakatarisa Yeu ndikaona kutya kukuru


maari.

"Ko akaita sei nhai madzibaba ndizvo zviri


kutitadzisa kuita mwana here"

"Madzimai Yeukai maoko enyu


akasviba.Mwari wedu ane tsitsi nengoni
reurirai mutendeuke murarame patsva"
"Maoko angu haana kusviba akachena
wani"said Yeu ava kuyeredza misodzi.

Ndipo pakabva pasvikawo Ruvimbo


akapfugama paside pangu.Ko akaziva sei
kuti ndauya pano.

"Madzimai Yeu zvamakaita kumashure uko


ndimi mozviziva.Kana ini ndiri kuzviziva asi
ndiri kuda mutaure nemuromo wenyu
mudzikinurwe"

"Ko mungakwanisa kutaura here zvakaita


zvacho madzibaba" ndakabvunza.
"Vachataura zvavo kana nguva
yasvika.Madzimai Ruvimbo Mwari vanemi
pazvese zvamunoita rambai muchivanamata
nguva dzese.Mwari vedu vanopindura kana
ukavanamata uchirevesa"

"Ndinotenda nemashoko enyu asi nhau


yandauya pano ndeye kuda kuziva baba
vemwana.Pane akauya achiti ndivo baba
vemwana ari mudumbu ndivo here"

"Madzimai inga mwana ari kukuudzai baba


vake hamusi kuzviona"

"Ari kundiudza sei hapana zvandiri


kuona"said Ruvimbo.
"Muchazviona mukufamba kwenguva
Madzimai Ruvimbo.Madzimai Yeukai
zvamuri kuronga zvese hapana
chichabudirira munhu wamuri kuda kurwisa
anochengetwa naMwari hamumukunde"

"Hapana zvamuri kuda kundiudza


ndatozviona kuti matengwa naRuvimbo kuti
mundinyadzise.Hazvishamise pamwe
morara mese futi" said Yeukai.

Hasha dzandakanzwa apa munhu


haangatuke mutungamiriri wekuchurch
kwangu.Asi Madzibaba vakandibata vachiti
siyana nazvo.

"Madzibaba Larry mune musikana


wamunoda asi hamuzvioni.Musikana iyeye
hamupedzi zuva musina kumufunga ndiye
achava mudzimai wenyu akatakura ropa
renyu"said madzibaba Handiriya.

Ndakatanga kunyemwerera obvious nhumbu


yaiva naDeviya ndeyangu.Ndakaona
ndakaita hutsinye pakumublocker mushure
mekunga ataura zvenhumbu.Pese apa
ndaifunga kuti pamwe ndeya Desire.

"Madzibaba Larry muchasvika nguva


yamuchasvika pakaoma zvekuti muchafunga
kuzviuraya pane madzimai vechidiki
vachauya kukubatsirai ndivo vanenge vane
ropa renyu.Ndivo vachaita mumhuri yenyu
muite mufaro nekuti ndivo vanodiwa ne..."
havana kupedza kamwana kamadzibaba
kasvika pavanga vari.Vakataura nako
kakabva kaenda.

Ruvimbo akabva asimuka akatoenda.Ndaida


kutaura naye asi ndakaona zvisingaite
paizomuka noise naYeu akazviona.

"Madzibaba Larry pazvinhu zvese


zvamunoita namatai uye shandisai pfungwa
pakufunga.Ndine zvimwe zvandisina kutaura
nemi ndoda muuye kumusangano uriko
mumazuva ari kutevera ayo"

Ndakaenda kumota ndikasvika Yeukai akaita


kufuta nehasha achindiona anotanga kuda
kundirova ndinomupusha
akadonha.Ndakamupa mbama ari pasi
kudaro nekuti anga andinyadzisa
nekabehavior kake.

"Tichisvika worongedza zvinhu zvako worova


pasi.Madzibaba havanyepi ndinozviziva une
zvawakaita kumashure uko maoko ako
akazosviba"
"Larry une shuwa ungandirova.Hauna
kuzviona kuti Ruvimbo ndiye atenga
madzibaba kuti vasvibise zita rangu"

"Usanyepera Rue ko aziva sei kuti tiri


kuuya.Madzibaba ava vagara havanyepi
vanoona ukasandiudza zvawakaita nhasi
chaiye unorara wabva pamba pangu"

Ndakarova mota ndikamira pashop


yangu.Ndakaona yatopera kuvakwa changa
changosara kuisa zvinhu nekutsvaga
mushandi.Ndakasiya mota ipapa ndikaenda
pamba ndakasvika Ruvimbo ari kutaura
namhamha.
"Mhamha madzibaba havana kundiudza
zvinhu zvandanzwisisa.Vati mwana ari
mudumbu ari kutaura ega kuna baba vake
muri kuzvionawo here"

Ndakaona mhamha vava kunyemwerera


vachibata dumbu raRuvimbo.

"Vari right mwanangu"

"Saka ndiani baba vacho kana muchizviona"

"Ummm handingakwanisi kutaura asi


uchazviona sematauriro aita madzibaba"
Hameno chandakatsika vese vakabva
vacheuka kwandiri.

"Larry wauya nguvai"

"Ndauya kudhara ndaiva kwamadzibaba.Ko


munhu akanzi maoko akasviba zvinorevei
mhamha handina kunyatsa kunzwisisa"

"Ndiwe wanzi maoko ako akasviba here"

"Mhamha pindurai zvandabvunza"


"Zvinoreva kuti unenge wakabata bata
zvinhu zvisina kurarama pamberi paMwari"

"Zvinhu zvakaita sezvipi"

"Kuuraya munhu kana kuromba"

"Oooh nhai Mwari" ndakadaro ndabata


musoro.

"Asi ndiwe une maoko akasviba here"


Ndakaramba ndakanyarara handina
kukwanisa kuvapindura panguva
iyi.Ndakabva ndafunga mashoko
akambondiudza Tamia achiti Yeukai
akauraya murume wake.Saka chinogona
chiri chokwadi pamwe ndizvo zvaititadzisa
kuita mwana nhai.

"Yeukai ndiye audzwa izvozvo mhamha" said


Ruvimbo.

"Handina kubvira ndamufarira Yeu kubva


pandakamuona handitodi kunzwa nezvake"

"Mhamha dai ndakaterera mashoko enyu


now ndava kudemba ndakutoona kuti
ichokwadi kuti akauraya murume
wake.Handingagari nemunhu ane ngozi"

"Ndafara kuti waona kuipa kwemunhu


uya.Madzibaba Handiriya vabatsirwa Mwari
ngavarangarire murume uya abatsira vanhu
vakawanda muno"said mhamha.

Ndakaoneka namhamha zvaisaita kuti


ndirare pamba naYeu.Ndaida kugara
ndapedza nezva Yeu.

"Saka wava kutoenda zveshuwa" akadaro


Ruvimbo.
Mhamha vakabva vamutarisa vakabata
muromo ndakaona vaida
kuseka.Ndakashaya chii chaisekesa.

"Saka wava kuchemei nhai Rue" ndakadaro.

"Handisi kuchema ini.Ufambe bhoo


usakanganwa kunamata zvataura
Madzibaba"

Ruvimbo akandiperekedza kusvika


pamota.Yeu akabuda achida kutuka
Ruvimbo ndikamubata.Rue akabva atodzoka
kumba.
Ndakarova mota kudzoka kutown Yeu
akatanga achapopota akanyarara.Ndakaona
kuti pana Yeu ndakamhanya kunoroora
ndisati ndava kumuziva.Ndakangoona
kunaka kunze iye mukati akawora.

"Tora mabag ako ubve pano it's over"


ndakadaro.

"Unopenga waguta chiweti wangu wava


kutaura zvaunoda manje handina
kwandoenda"

"Ndinokumamisa wanzwa ndati buda muno"


Takanetsana kusvika Mai Mona vazouya kuti
yananisa.Ndaiti ndikafunga kuti maoko ake
akasviba ndainzwa hasha.

Pakapera mazuva matatu imba yangu yanga


yapera.Ndakatenga zvinhu zvekuisa
mumba.NaYeukai tanga takurara marooms
akasiyana.Deviya akandifonera achichema
achiti hasisina kwekuenda akuda kubvisa
nhumbu.Ndakaramba nekuti ndiye weropa
rangu aitaurwa namadzibaba.Ndakaenda
kunomutora kwaari ndikauya naye pamba.

"Ko ndiani uyu akudei pano"akabvunza Yeu.


"She is my wife akatakura mwana
wangu.Ndiye wezera rangu iwewe
ndakakuudza rova pasi kare ukaramba"

"Larry ndiri mukadzi wako unoziva imba ino


inoti inini here.Waifana watanga wataura
neni first usati waunza kamunhu kako"

"Eh mbuya imi dzikamai wamuri kuti


kamunhu ndiani.Hamutonyari kudanana
nemwana mudiki kungoti mahure monetsa
manje mai vepano ndauya munotorova pasi
chete" said Deviya.

"Hey young girl usapindira nyaya


dzausingazive nekuti unofira mahara"

Ndakapinda naDeviya mubedroom


mangu.Ndakabva ndafu ga mashoko ake
akambondiudza achiti audzwa namadzibaba
kuti ucharoorwa naLarry.Ndakatoona kuti
airevesa chero ndisina kumunzwisisa
madays acho.

"Deviya ndiwe mai vepano usabvuma


kutongwa naYeukai"

"Usandityira uyo ndinomuswatudza akaita


bhoo ndombonzi ani"
Mazuva akafamba ndichigara naDeviya
zvakanaka.Yeukai anga akuita zvemazuva
kuuya pamba ndaisaziva kuti ari kurara
kupi.Ndakafonerwa namhamha vachiti
Ruvimbo amhanyiswa kuclinic but havana
kutaura kuti arwara nei vakabva
vakata.Ndakazama kufona futi number dzavo
dzikaramba.Ndakabva ndafunga kuendako
sezvo mangwana acho kwaiva
nemusangano wekuchurch wandakanzi
ndiuye.

"Deviya uchasara pano ndiri kuenda


kumusha"
"Kunoitei chii chaitika"

"Handina kunzwa but I think Ruvimbo ari


kurwara"

"Ko zvinei newe zvekurwara kwaRuvimbo


nhai esaenda.Ndaida kuti tiende kusho
tinotenga zvinhu zvemwana"

"Ko kuchurch amana ndakanzi ndiuye"

"Ukarovha unofa here ndiri kumboda nguva


newe"said Deviya
Thanks nemacomments

_watch out for chapter 26_


*MOYO WANGU*
_My heart_

*_Like our FB page_*


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/125096786710906/?app=fbl
*_Written by King Lee_*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562

*CHAPTER 26*

*Larry*
Deviya aisatoda zvekuti ndiende ndakaona
best way kuenda naye.Mhamha vakabva
vafona vachitadza kunyatsa kutaura
nemufaro.

"Ko muri kufarirei nhai mhamha"

"Ruvimbo abatsirwa mwana musikana"

"Ndizvo zvamungabva mafara sekuti mwana


wacho muzukuru wenyu" ndakadaro.

"Larry ndinoda uuye kwamai Tamia manheru


wega"

"Asi muri kuno here"

"Ehe ndakatohire mota ndikauya kuno"

"Okay mhamha ndichasvikako"

Ndakaenda kunogeza ndichipedza Deviya


anopindawo achindiyemera.

"Daddy muri kuendepi"


"Ndiri kumbosvika kubasa
ndichadzoka.Ugare pamba handidi munhu
anofamba famba"

"Okay daddy"

Ndakapinda mumota ndikairova ndakananga


kuchipatara kwaiva namhamha.Ndakasvika
kupinda maiva naRuvimbo ndakasvika
akatorara.Tamai namhamha vanga vakamira
pakabed kaiva nemwana.

"Mkoma Larry" said Tamia.


"Ko ndiri kunzwa kuti uri kugara naDeviya
ichokwadi" vakadaro mhamha.

"Akatakura mwana wangu moda agare kupi"

"Mwana wako upi.Huya umira utarise mwana


uyu undiudze kuti haasi wako"

Ndakafamba ndikatarisa kamwana


kacho.Ndakaramba ndakakatarisa misodzi
ikatanga kuyerera pamatama
angu.Ndakabuda muward umu ndisina
wandataura naye.Tamia akanditevera
achindimisa.
"Mkoma Larry ko chii"

"Tamia iwewe ndiudze zvakaitika kuparty sei


mwana uyu ane kabirth mark kakafanana
nekangu"

Tamia akatarisa pasi haana


kupindura.Ndakaenda kunogara mumota
mangu.Kamwana aka kanga kane
kakufanana kakaita naRita.Kureva kuti ndini
ndakarara naRuvimbo here ohh no.Dai
ndakarara naye akaudzwa
namadzibaba.Ndanga ndane confusion
panguva iyi.Ndakadzoka muward muya
Ruvimbo anga amuka akabata kamwana
kake.Joker akabva asvikawo akabata kabag
netumaruva mumaoko.
"I'm happy ndakunzi baba.Ruvimbo
wandigonera"said Joker.

"What unopenga here iwewe"ndakadaro.

"Larry enda unoona zvebarika rako Ruvimbo


ndewangu.Mwana wangu uyu ndoda
kutomupa zita inini baba vacho" said Joker.

"Joker naLarry asi mese makarara nenu here


ndiudzei chokwadi nekuti handisi
kukunzwisisai muri 2" said Ruvimbo.
"Ruvimbo handina kumboita izvozvo but..."

"But what"

"Sei mwana uyu ane kakufanana


naRita.Ukatarisa paruoko apo ane kabirth
mark kakafanana nekangu" pandakadaro
munhu wese akamhanya kutarisa akaona
chiri chokwadi.Ruvimbo akabva anditarisa
neziso rine mubvunzo.

"Inhodzerwa but mwana uyu ndewangu ndini


ndakarara naRuvimbo"

"Joker stop.Pawakarara naRuvimbo anga ari


virgin here" akabvunza Tamia.Mubvunzo uyu
wakaita Joker ambomira kutaura kwenguva
yakareba.

"Anga asiri virgin sei wabvunza"

"Saka hausiwe baba vemwana nyarara"said


Tamia.

"Tamia nyarara hapana


zvaunondiudza.Ndobasa rema DNA test
iri"said Joker.

Ndakatarisa Ruvimbo ndikaona


akanditarisawo.
"Tozvinetserei nemaDNA test mwana uyu
ndewa Larry"said Tamia.

"Handidi kutemeswa musoro nezvinhu


zvisina musoro.Mwana uyu muzukuru wangu
ndakatozvifeeler pandaigara naRuvimbo
uyu.Madzibaba vakatondiudza chokwadi kuti
mwana uyu ndewa Larry saka hapana
zvamunoda kundinyepera"vakadaro mai
vangu.

Mashoko avo vakandivhundutsa.Ndakafunga


mashoko amadzibaba vachiti ndine
musikana wandinoda asi handizvioni
musikana iyeye ndiye ane ropa rangu.Saka
kureva kuti musikana iyeye ndiRuvimbo
nekuti zvaisaita zuva ripere ndisina
kumufunga.Asi mubvunzo wangu waiti ko
ndakazorara naye sei zvandisiri
kuziva.Mwana ndaizviona kuti ndewangu
chero Joker aida kuita nharo dzisina nebasa.

"Larry ndiwe wakandirepa.Why Larry kana


waindida wakatadza kundipfimba zvakanaka
nei.Handifunge kuti ndichawana moyo
wekukuregerera izvozvi Mai vangu havadi
kundiona nenyaya yekundirepa kwawakaita
why" said Ruvimbo ava kuchema.

"Ruvimbo handisi kuziva kuti zvakafamba


sei.Unoti dai ndaizviziva ndisina kukuroora
here nhai nekuti kubva kare ndaiva
nemafeelings newe Ruvimbo asi
ndaisazviona" ndakanyara pandakataura izvi
ndakashaya kuti zvauya sei.

"I still remember madzibaba vachinditi ndine


musikana wandinoda asi handizvioni munhu
iyeye handipedzi zuva ndisina kumufunga
hanzi ane ropa rangu kutaura chokwadi
ndiwe Ruvimbo.I really love you with all my
heart" ndaishaya kuti confidence yekutaura
izvi ndakaiwana kupi.

"Larry ndichine confusion ndoda kuzorora"


ndiwo mashoko akataura Rue.

Joker akabva atanga nyaya yake yekuti


ngatiite maDNA test.Ndakaramba ndaisada
kuita zvinhu zviri pachena.Ndakanogara
mumota mangu saka mai vangu vakaoma
vakatoudzwa kare kuti mwana vangu
vakasandiudza zvavo.Ndakanzwa kufara
mandiri ndakaenda mutown ndikanotenga
tunonaka.Ndakadzoka ndikaisa patable
Ruvimbo anga achakarara.Ndakatora chair
ndikanogara pakabed kaiva nemwana
wangu.Kanga kakarara ndakaramba
ndakakatarisa.Ndakabva ndarangarira kuti
nhumbu yaRue yaindida ko sei ndaisaona
zvese izvi.Mwana wangu wangu asvika
pakuzvarwa ndisina kumbomusimbisa.

"My daughter I'm sorry handina kumira naMai


vako pavaiva nenhumbu yako.Ndaisaziva
kuti vakatakura ropa rangu handisi
kunyatsoziva kuti zvakafamba sei.Mangwana
ndofana kuenda kwamadzibaba vandiudze
zvakaitika" ndakadaro ndikaona Rue akagara
kuratidza kuti anzwa zvandataura.

"Larry hona kwasviba chienda"

"Hapana kwandinoenda ini ndorara


ndakarinda mwana wangu"

"Hezvo zvaunotopenga nhai"said Rue

"Watozvinzwa ndauya nechikafu icho"


"Thanks ndakaguta"

"No hauna kuguta"

Ndakanochitora ndikatanga kumupakisa


haana kunyanya kudya akabva ati
aguta.Akabva ati ngatinamate.Akatanga
kunamata ndakanyarara zvangu kusvika
apedza.

"Wanamata here"

"Ummm ndichazonamata"
"Larry unofana kusimba
pakunamata.Unonzwa kahusimbe nguva
yekunamata ndanyepa here" said Rue

"Asi wava kuporofita kani ndizvo chaizvo


hameno zvoitika pandiri"

"Haufani kuva weak pakunamata


Larry.Ramba kushandiswa nemademon
mhani"

"Thanks I wish dai uri mukadzi wangu ndiri


kuona une future.Unoziva vasikana vese
vandakasangana navo hapana wandakaona
anoda zvekunamata"
"Hooo chienda kumba Deviya akakumirira"

"Hakuna kwandoenda ndichisiya mhuri


yangu yoga" ndakadaro.

"Aaah iwe"

"Ruvimbo ndinokuda"

"Nekuti ndakuzvarira mwana"

"No ndakabva kare ndichikuda Ruvimbo but


ndaisazviona kuti ndine mafeelings newe"
"Okay"

"Saka wati chii"

"Ndati okay"

"Kundibvuma here"

"No Larry just know


ndichakakutsamwira.Ndoda kuziva zvakaitika
kuti tigorara tese munhu anokwanisa
kutiudza ndiMadzibaba Handiriya"
"Okay Rue chirara"

Akabva arara ini ndakaita pungwe ndakagara


pachair ndikazoona ndakafukidzwa
gumbezi.Ndakatoziva Rue ndiye akamuka
kundifukidza kune vane care.

Mhamha naMai Tamia vakabva


vapindawo.Vanga vakabata mapaper bag
akazara chikafu.

"Ruvimbo sorry nekukudzinga pamba pangu


handizive sei ndisina
kukunzwisisa.Ndakazoona kuti munhu
akandisendera message achiti Rue ari
kupinza vakomana pamba ndiJoker"

Saka Joker aida kutora advantage


yekudzingwa kwaRue pamba aiziva kuti mai
vake havamutambiri zvikaramba.

"Handina kukutsamwirai ini zvakatopera


nenguva yacho"said Ruvimbo.

"Ko Larry wauya nguvai" vakabvunza


mhamha.

"Akarara pano hanzi ndoda kurara


ndakarinda mwana wangu"
Tamia, Mona naRita vakabva vapinda
vakatevedzana.Rita achiona Rue anofara
zvisingaite.Rita ndiye akapa mwana zita
hanzi anonzi Kisha.Saka ndava kunzi Baba
Kikie.

"Mona ari kuziva zvakaitika kwandiri


patakamubvunza aiti akabhadharwa anoda
kubhadharwavo" said Rue

Munhu wese akabva atarisa Mona tikaona


akatarisa pasi.

"Mona ichokwadi here chiri kutaurwa"


vakabvunza Mai Tamia.

"Nda---nda--ka--ka---"

"Iwe taura wakatanga kukama rini" vakataura


nehasha Mai Tamia.

"No Mai Tamia usamuitira hasha" vaiva mai


vangu.

"Ngataure zvakaitika anoda kubhadharwa


pachii pacho"said Mai Tamia.

"Haisi plan yangu ini ndakatomboramba


pekutanga asi---" haana kupedza apihwa
mbama namai Tamia.

"Pese apa wainyarara uchiziva zvakaitika


nhai taura"

"Tamia ndiye akaronga zvese izvi ini


ndaingoita zvataura"said Mona.

"What!! saka ndiye akakubhadhara here"


akabvunza Rue.

"Haana kundibhadhara paya


ndainyepa.Ndaiziva kuti ndikati ndoda
kubhadharwa mari yacho maisaiwana"
"Tamia Tamia Tamia huya umira apa nhasi
unondiona" vakadaro Mai vake.

"No Mai Tamia nyaya iyi tadii taipedzera


kumba" said mai vangu.

Tamia anga akungochema.Rue akabudiswa


muchipatara masikati acho tikaenda kumba
kwaMai Tamia nyaya ikabva yatanga futi.Mai
Tamia vanga vakatobata kamwe kamboma.

"Mona ari correct yaiva plan yangu.Pakauya


Ruvimbo kushanda pano ndakatanga kuona
kuti ane mafeelings nemkoma Larry chero
airamba.Kana ivo mkoma Larry vaida Rue
ndakazviona.Pandakaziva kuti Mkoma Larry
vakudanana naYeu mazuva ekutanga
ndaisaziva hunhu hwaYeu.Asi Mona
akandiudza hunhu hwaYeu ndakanzwira
mkoma vangu tsitsi" akadaro Tamia akabva
ambomira kutaura achichema.

"Ndaizama zvekuti Larry naRue vadanane


kuti asiyane naYeu manje
zvairamba.Pandakaronga zveparty ndaiziva
mkoma Larry vachatounzawo mashamwari
avo.Mona aiziva zvese akauya akati
nyengerera kuti tinwe izvo iplan yangu.Rue
akanwa kusvika adhakwa.Uyu Larry
akadhakwiswavo tikamuisira drug
tikavavharira musame muroom
naRuvimbo.Ndipo patakaona Joker
achitsvaga Larry.Takazomubudisa chi late
vanhu vaenda.Pandakaona ropa pabed
ndakachema ndakaregretter nekuti handina
kufungira kuti Rue angave virgin.Sorry
ndaizvitira kuti mkoma Larry vasiyane
naYeu.Uye ndaida Ruvimbo ave muroora
wedu ndakayemura zvaari"

Tamia achipedza kutaura izvi akanzi mboma


kumusana namai vake.Akarohwa zvekuti dai
asiri Rita akabata aiuraiwa takatarisa.Mai
Tamia vakarwadziwa zvandakaona nemeso
angu.Ruvimbo anga achingochema
akatsikitsira pasi.

Kwandiri hazvina kundirwadza nekuti


Ruvimbo ndagara ndaimuda akatondigonera
Tamia.Pamba apa panga pakubhowa kuita
sepane mariro.Ndakangobuda ndikaenda
kumba kwangu.Ndakasvika Deviya akarara
pafloor pakazara ropa.Ndakatarisa padumbu
anga akabaiwa nebanga.Deviya ndaisamuda
asi ndakarwadziwa kumuona ari mucondition
yakadai.

"Deviya Deviya" haana kumuka asi airatidza


kuti achiri kufema.

Ndakabvisa banga riya padumbu ndikasunga


kuti asabuda ropa.Ndipo pakasvika
mapurisa.Ndakashaya kuti vafonerwa
nani.Vakatosunga ini vachiti ndine mhosva
yekubaya Deviya.Ndakazama kuda
kutsanangura asi havana kundinzwisisa.

*Thanks nemacomments enyu*

_watch out for chapter 27_


*MOYO WANGU*
_My heart_

*_Like our FB page_*


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/
*_Written by King Lee_*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562

*CHAPTER 27*

*Ruvimbo*
Zvakandinetsa kugamuchira kuti Tamia ndiye
akaronga zvese izvi.Handina kumbofungira
kuti ane hutsinye hwakadaro.Ndakabuda
ndikanogara panze hana yangu ikatanga
kurova.Ndakashaya kuti zvairevei.

"Mai Kikie" akandishevedza Rita.

"Mupfana wako anondijairira kuwirirana


kwandaiita naye hazvirevi kuti akufana kuita
zvanoda pandiri.I will never forgive Tamia"

"Sorry Ruvimbo"
"Rita hana yangu iri kurova I think pane
something wrong chaitika kuna mai vangu or
Larry.Nekuti vanhu vari pamoyo pangu
vakaita dambudziko ndozvi feeler"

"Hiii saka Larry ari pamoyo pako" said Rita


achisekerera.

"Aaah"

Mai Larry vakauya vakagara pedyo


neni.Vakatanga kundiudza love story yavo
naBaba Larry matangiro ayakaita.Foni yavo
yakaringer vakadaira handina kuziva vaitaura
nani.Ndakazoona misodzi yajenga mumaziso
avo.

"Mhamha chiii chaitika" aiva Rita aibvunza.

"Baba vako Rita va--a"

"Vaita sei mhamha"

"Varumwa nenyoka kubasa kwavo"said


Gogo vaKikie.

"Varumwa pai mhamha ndiudzei chii chaitika


inyoka rudzii yavaruma"akabvunza Rita ari
worried.

"Rita ndiri kutoda kuzivawo kuti zvafamba


sei.Ndangoudzwa kuti baba vako varumwa
nenyoka vaendeswa kuclinic yekubasa
kwavo"

"Gogo vaKikie don't worry vanoita bhoo.Isusu


ngatinamate kuti vakurumidze kupora"
ndakadaro.

"Okay muroora manje ini handichagari


ndakuendako.Chengetedza muzukuru
wangu Mai Tamia vachakudzidzisa
mabatirwo anoitwa mwana don't worry"
"Mhamha maudzawo Larry here"

"Wozomuudza rega ndiende"

Gogo vaKikie vakabva vatoenda asi ndaiona


kuti vaiva worried.Saka ndizvo zvairovera
hana yangu here izvi.Zuva rava kuvira ndaiti
Larry achauya kundiona pamwe chete
nemwana asi haana.Ndakatanga kuva
worried.Ndakafona pafoni pake ikaramba.

Larry kumuda ndaimuda asi ndaida atange


agadzirisa nyaya dzake first.Kamwana kangu
kakatanga kuchema ndakakatora
ndikakayamwisa kakabva katorara.
"Tete Rita ndiri worried ini why Larry asina
kuuya kundiona paya angobuda asina
kuoneka"

"Usatya ari bhoo uyu achauya hake"

"Haasi bhoo moyo wangu ukuzvirambira"


ndakadaro.

"Mai Kikie nzwisisa I know wamusuwa


achauya"

Ndakaona kuti ndaipedza nguva kutaura


naRita.Ndakabuda ndikaenda kwaigara
Larry.Ndakasvika ndichiudzwa kuti Larry
akatama.Ndakadzoka kumba ndikasvika Rita
asipo pangori naTamia akagara pabed paiva
nemwana wangu.

"Tamia unodei pamwana wangu"

"Ruvimbo i'm sorry nezvandakaita please


forgive me"

"Tamia ndaikuona seshamwari yangu but


ndakuona hauna kusiyana naYeukai
makangofanana.Chimwe chinhu handikude
pedyo nemwana wangu"
Tamia haana zvakataura akabva
atobuda.Ndakabva ndarara pabed
pangu.Joker anosenda message achiti ari
kuda kundiona.Ndakabuda nekuti ndaida
andiudze kuri kugara Larry kwete nekuti
ndaida kumuona.

"Ruvimbo my queen"

"I'm not your queen"

"Ruvi sei usingazvioni kuti ndinokuda"

"You don't love me Joker.Dai waindida usina


kunyepa kuti nhumbu ndeyako"

"Ruvimbo ndanga ndisina option.Waida


ndiitewo sei please try kundinzwisisa
ndinokuda nemoyo wese"

"Manje ndiri mukadzi wemunhu" ndakadaro.

"Mukadzi waani"

"Obvious baba vemwana wangu.Ndiye


munhu wandinoda kana iye anondida futi
ndinozviona"
"Wakarasika Ruvimbo munhu ane vakadzi
vaviri"

"Handina basa nazvo ndiye


wandakasarudzirwa naMwari iyeye"

"Larry wako atori mujeri akauraya


Deviya.Unoda kuidii mhondi"

"What!!"

"Zvandataura wazvinzwa"

"Unonyepa iwewe ariko kumba kwake"


"Enda unomuona kana ariko"

"Handikuzive ini"

Akandipa madirections ndikaenda kumba


kwacho.Ndakasvika pamba pacho yairatidza
kuti haisati yanyatsa kupera kuvakwa asi
yanga yakanaka zvayo.Ndakanoka apana
akadaira ndakapinda ndikaona ropa raiva
pafloor.Ndakafunga zvataura Joker achiti
Larry auraya Deviya.Ndakatenderera mumba
asi hapana munhu wandakaona.Ndakaenda
kupolice station kutaura nemupurisa uya
wekundirafura madays andakamborepwa
pandakauya kutaura nyaya yangu.
"Ndauya kuonawo Larry Kamutepu".

"Ndimi ani wake"

"Mukadzi wake"

"Mukadzi wake?ko ambori nevakadzi vangu


mupfana uyu.Murume wenyu ane mhosva
yekubaya Deviya nebanga hapana
marambiro nekuti tatoona mafingerprint ake
pabanga iroro"

"No no haana kudaro pane zvatoitika


chete.Ndokumbirawo kumuona"

"Ndokupa 2mins chete"

Larry akauyiswa pandanga


ndiri.Pandakamuona ndakamumbundira
ndikabva ndamukissa.

"Ndochii chamava kuita ndizvo


zvamandikumbirira kuona munhu uyu here
zvatokwana" akadaro mupurisa uya.

"Ruvimbo enda unogara pamba pangu


naTamia achakubatsira pazvimwe zvinhu"
akadaidzira.
Akabva atoendeswa ndakasara
ndichichema.Ndakaenda kumba ndisina
mufaro ndakasvika vanhu varipo
ndikavaudza zvaitika.Rita akachema
akanyaradzwa naMai Tamia.Uyu Tamia aiva
ari zii asi waitoona kuti ari kurwadziwa.

"Tamia ndakuregerera nekuda kwaLarry ati


ndinogara newe kumba kwake"

"No hamuendi ikoko hakusi safe"said Mai


Tamia.

"No mhamha kutori safe mhamha


musatityira" said Tamia achifara.

"Tamia handisi kutyira iwewe ndikutyira


muzukuru wangu"

Tamia akauya kundimbundira


achichema.Takarongedza mabag tikaenda
kumba kwaLarry.Ndanga ndaneta
ndakasvika kurara pasofa.Tamia aicleaner
mumba.

"Ruvimbo I think Yeu or Joker pane akabaya


Deviya"said Tamia.

"Now tinofana kuchinja makeys epadoor apa


manje kwasviba toita sei"

"Usatya ndine plan"

Tamia akabva abuda ameno


akaendepi.Ndakaona auya neumwe
mkomana.Mkomana iyeye akatichinjira
makey padoor ndakamutenda.Makuseni
ndakabika chikafu ndikaendesera
Larry.Vakada kumboramba kuti ndimuone
asi ndakakumbira ndichinzwisa tsitsi.

"Larry tell me chii chakaitika"

"Handitozive zvakafamba sei.Ndakasvika


Deviya akabaiwa nebanga achibuda ropa
rakawanda.Ndakabvisa banga ndikabva
ndamusunga kuti ropa risabude rakawanda
ndipo pakabva pasvika police" said Larry

"Larry waifana usina kubvisa banga nekuti


vachakuroverera pamafingerprints"

"Zvaisaita ndisiye munhu achirasa ropa.Dai


ndakafonera mapurisa vaigona kusvika
afa.Zvimwe ndinoita hangu asi hupenyu
hwemunhu hwakakosha"

"Okay ndakuvigira chikafu ichi"


"Ruvimbo wasiya mwana nani" akabvunza
Larry.

"Kisha ari safe ndamusiya natete Tamia"

"But haufani kuuya kuno uchisiya mwana


ega.Next time unatuma Tamia uya iwe
wosara nemwana.Handidi kuti mwana wangu
awane chanowana" said Larry.

Akadya chikafu ndikadzoka


kumba.Ndakasvika Yeu aripo akatogara
pasofa.Anotanga kusvimha misodzi
ndakashaya nechaichema.
Ndakaramba ndakamutarisa handina
kumbotaura naye.Chandakakwanisa kuita
kuenda kuroom kwaiva nemwana
wangu.Ndakasvika kakatorara uyu Tamia
aiva busy kutamba magame pafoni pake.

"Rue ngatibve pano hapasi safe"said Tamia.

"Hakuna kwatinoenda Tamia.Ukutya Yeukai


here"

"Imhondi iyi apa auya achinyepera kuita


munhu kwaye ane zvaari kuronga chete
hausi kuzviona here"
"Ndazviona hangu but akafonera mapurisa
ndiani day rasungwa Larry" ndakabvunza.

"Magona mabvunza apa dai manobvunza


mapurisa uko vanogona kukuudzai"

"Ndiri kuda number dzemunhu akafona


ndosearcher paEcocash kuti ndedzani but
havandipe ava"

"Muri right mirai ndiende inini musare


nemwana"said Tamia.

Akatora kahandbag kake makabva madonha


mamwe mapaper andisina kunzwisisa kuti
ndeechi.Pandanga ndakuda kumanhonga
akabva andimisa.

"Mapaper echii aya iwe Tamia"

"Makoti ndichazokuudza mira ndimhanye


make sure ukabuda muroom muno
unokiya"said Tamia achitobuda.

Tamia akabva atoenda hake.Ko mapaper


adonha mubag rake ndeechi.Ndakasiyana
nazvo pamwe ndekuchikoro kwake.But sei
aramba kuti ndimaone.Ndakatoona kuti
ndikuzvinetsa nezvinhu zvisina
basa.Ndakabuda ndikasvika Yeu akagara
nevamwe vana vaviri.One wacho airatidza
kuti akuma 8years mudiki wacho airatidza
ane 4yrs.

"Mhamha handichadi kunogara nagogo


vanobhowa" said kadiki kacho.

"Jane ndipo pamba penyu pano.Monday


ndikunotsvaga tsvimbo yenyu mava
kunodzidza mutown vanangu"said Yeu.

"Ko mukadzi wataona pano ndiani"

"Mushandi wepano" said Yeu.


Ndakabudikira Yeu akabva
anditarisa.KaJane kadiki kacho ndiko
kakauya kundimhoresa.Ndakabva ndaona
kakafanana naYeu.Ndakangokamhoresa
zvekuti zvindibve.

Yeu akabuda nevana vake vachienda


mutown.Joker akabva asvikawo aine paper
bag.

"Haunoki here uchipinda pamba pevanhu"

"Ruvimbo zvimwe unofana kunyarawo


wega.Pano pamba paLarry naYeukai iwe
unouya kuitei huh usabvuma kushandiswa
naLarry"

"Iwe siyana nelife yangu.Haundiudze


zvekuita wanzwa get out"

Ndakamupushira kunze akada kumboita


zvenharo ndikabva ndatokiya
door.Ndakazama kufonera Mai Larry
ndichida kunzwa vakafamba bhoo here asi
foni yavo yaisata.Kwakasvika kwakudoka
Tamia asati adzoka ndanga ndava
worried.Yeu akasvika pakudzoka nevana
vake Tamia asati angodzoka.
"Yeu unomboenda kunoonawo murume
wako here kumapurisa" ndakadaro ndichida
kumunzwa.

Akangonditarisa neziso rekusada


kunetswa.Akaenda kuroom kwake nevana
vake.Tamia akazosvika achiratidza kufara.

"Tete manga maenda kupi ndanga ndava


worried.Ko number madziwana here"

"Ummm ndadziwana ndatambura.Kungoti


ndanga ndaenda kuchipatara kunoona kuti
Deviya ari sei.Mwari variko ava kurecover"
Ndakapihwa number dziya ndikaona
dzaisava paEcocash.Ndakapera power
panguva iyi.Ndakashaya pekutangira asi
ndaifungira Yeukai.Obvious haana kufara
nekuuya kwaDeviya pamba apa.Handina
evidence yekumuroverera hangu asi
ndaisazorora kusvika ndaziva chokwadi.Asi
Larry ndiye honzeri pazvinhu zvese.Kungoti
ndaizviitira kuti ndibaba vemwana
wangu.Ndaida mwana wangu akure baba
vake varipo.

Mai Tamia vakafona vachitaurawo kuti Rita


aita tsaona achibva kubasa
kwake.Mataurirwo avo vairatidza kuti hapana
akapona patsaona iyi.Ndakangodonha pasi
ndiye ziii.Ndakazopepuka ndiri pabed Tamia
akagara paside pangu.Matama ake anga
akaomera misodzi.Ndanga ndava confused
kuti chii chikumboitika.Rita ari kunzi afira
paspot kurimwe side baba vake vakarumwa
nenyoka hapana ari kuziva vari sei.Ukuwo
Baba Maka havasi kuzivikanwa kwavari.Uyu
Larry akasungwa.Nhai Mwari yakatadzei
family iyi.Mai Larry varasikirwa
nemwanasikana wavo umwe.Ndakachema
but moyo wangu wakazviramba kuti Rita afa
ndaizobvuma ndaona nemeso angu ari
mucoffin....

*Thanks nemacomments enyu*


Watch out for chapter 28
*MOYO WANGU*
_My hear_

https://chat.whatsapp.com/KoKeTueW25b8hl
FEt6neRg
*_like our FB page_*
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

*_Written by King Lee_*


~LeeMarzy~
+263774206587
_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562

*Chapter 28*

*Ruvimbo*

Ndakazama kufonera foni yaRita asi


yaisadairwa.Ndakaramba ndichizama
kusvika yazodairwa but akadaira aiva asiri
Rita.
"Muri hama yaRita here"

"Yes mupei foni"

"Svikai kuchipatara Rita aita accident"

Ndakapfeka mapush ndikatobuda kuenda


kuchipatara.Ndakasvika patori
nemapurisa.Ndakamhanya pavanga vari
ndichiti ndauya kuona Rita ndichichema.

"Don't tell me kuti Rita afa" ndakadaro.


"Sister Rita haana kufa.Patanga kupidugika
mota akandwa nepawindow akanowira
musango isu patasvika taona vese vaiva
mumota vaparara"akadaro umwe mupurisa
wechikadzi.

"Saka mupenyu here"

"Yes mupenyu but akuvara zvakanyanya


kurarama kwake zvinoda Mwari apindire".

Atleast moyo wangu


wakagadzikana.Ndakapinda muroom yaiva
yaiswa Rita ndikaona akasungwa sungwa
mabandage.Ndakayeredza misodzi
ndakamutarisa.Ndakabva ndanamata
ndakamubata musoro ndipo pakapindawo
Mai Tamia.

"Oooh ndotenda Mwari Rita mupenyu" said


Mai Tamia.

"Ko mhamha sei foni yavo iri kuramba


vakafamba zvakanaka here"

"Vakafamba zvakanaka kwavari kunonetsa


network"

Ndakabva ndarangarira kuti pahospital apa


ndipo paiva naDeviya.Ndakaenda
kunobvunza manurse ward yaiva
ndikaudzwa.Ndipo pandakaonawo umwe
mukadzi akafanana naYeu achisvikawo
akabata paperbag.Ndofunga ndiyo sister
yacho yandaingonzwa nembiri
yechihure.Akafamba akanopinda muward
maiva naDeviya ndakanodongerera
padoor.Deviya airatidza kuti anga akamuka
ndakanzwa kufara.

"Ndakuvigira chikafu" said sista yaYeu.

"Mandivigira chikafu tozivana here.Who are


you"said Deviya.

"Ndonzi Sharon"
"Asi uri hama yaYeu.Watumwa kundipedzisa
here"

"Iwe dzikama handina hutsinye sezvauri


kufunga apa ndikuda kungokubatsira.Yeukai
ari dangerous hongu she is my lil sis but
takasiyana"said Sharo.

Ndakatadza kunzwisisa kuti aizama kudii


munhu uyu.Ane yaari kuronga chete ari kuda
ku gainer trust yaDeviya chete.

"Zvekuti ari dangerous ndezvenyu akabaya


munhu asiriye ndichingopora ndoda
kumupedzera izvozvi nhumbu yangu
yakatobva nekuda kwake"

Saka Yeu ndiye akabaya Deviya.Sharo uyu


anenge ari kuda kupedzisa Deviya
zvakangwara ndaifana kutomu
saver.NaDeviya takakura tese tichitamba
tese kuti angoparara nenzira iyi
ndakazviramba.Ndakabva ndapinda muward
muya.

"Deviya"

"Ruvimbo waziva sei kuti ndiri kuno"


"Larry ari mujeri akapomerwa mhosva
yekunzi ndiye akabaya iwewe"

"Oooh shit iplan yaYeu ari kuda imba


yaLarry.Larry anoda ini saka zvakarwadza
Yeu"said Deviya.

Sharo akabva abuda ndikasara


naDeviya.Foni yangu yakabva yatanga
kuringer.Ndakadaira ndikanzwa kuchema
kwemwana wangu.

"Unofunga wakangwara nhai dzoka kuno fast


ukanonoka unosvika mwana wako afa" said
Yeu akabva akata.

Ndakabuda ndichimhanya kuenda


kumba.Ndakatosvika Yeu akabata mwana
wangu Tamia anga akasungwa maoko
nemakumbo achibuda ropa mukanwa.

"Ruvimbo uchida mwana wako uchaita


zvandichataura"

"Please Yeu ndipe mwana wangu ndobva


hangu pano" ndakadaro ndapfugama.Kisha
kacho kaichema.

"Ndine mission yandiri kuda kukupa


ukaitadza mwana wako ndomuuraya
wakatarisa & apana zvaunondiita chero
ukaenda kumapurisa hapana zvavanondiita
futi"

"Okay ndipe mission yacho"

"Tora mapaper ayo ari signature yaLarry"

"Mapaper echiii"

"Eimba ino yava kuiswa muzita


rangu.Akangosaina unodzoka ndichikupa
mwana wako"
"Okay ndokumbirawo kuyamwisa mwana
wangu ndisati ndaenda"

"Wapedza here mission yandakupa.Handidi


munhu anonyepera kungwara ngwara
mwana uyu hauzomuwani futi.Ndomuendesa
kwandakaendesa murume wangu
kwausingadzoki wanzwa here"

Ndakabva ndabuda
ndichichema.Ndakafunga plan ,ndakaenda
kunotora mapurisa ndikaenda kuchipatara
nawo ndaida vanzwe Deviya achitaura
munhu akavabaya.Takasvika muward muya
musisina munhu.Ndakapera simba asi
chandakaziva ndechekuti ndiSharo
amutora.Mapurisa vakabvunza manurse kuti
munhu anga ari apa aenda kupi.Ivo manurse
acho akaratidza kuti apana aiziva.

"Deviya ataura kuti Yeukai ndiye


akamubaya.Ndasvika pano paina Sharon
sister yaYeu I think vatotiza naye kuti
tisawana chokwadi.Please dai masiya Larry
haana mhosva"

"Yeukai ane nyaya yake iri papending yegore


riya" akadaro umwe mupurisa.

"Nyaya iyo paiva pasina evidence" akadaro


umwe wacho.
Pachipatara pacho paiva
nemaCCTV.Akaenda kunotariswa
pakaonekwa face yaSharon achiita
zvekumanikidza kutiza naDeviya.Asi
vairatidza kuti havana kubuda muchipatara
pane pavakahwanda.Ndakasiya mapurisa
achiita basa ravo ndikaenda kunoona Larry
nekuti Yeu anga akufona achindityisidzira.

Larry ndakamuudza nyaya yaivapo asi


akaramba kusigner
mapaper.Ndakamunyengerera kusvika
azobvuma.Ndakaenda nemapaper aya kuna
Yeukai.Akatanga kunyemwerera achiratidza
kufara.

"Chirongedzai mabag enyu mubve pano"

Takarongedza mabag edu tikabva tadzokera


kumba kwaMai Tamia.Ndakasvika
ndikazvivharira muroom mandairara
ndikambochema.Ndapedza ndakabva
ndanamata nekubva
ndatorara.Pandakamuka ndakaenda
muroom maTamia ndikasvika akabata
mamwe mapaper akafanana ne
akambodonhesa day riya.Akabva amapeta
peta akaisa pasi pepillow.

"Tete asi pane chinhu chamuri


kundihwandisira kani"

"No hapana chandiri kuhwandisa makoti.Just


know zvese zvandiri kuita zvinobatsira Kisha
,Larry nemi muchazonditenda henyu pamberi
apo"

"Tamia kana tichiita zvinhu tese tofana


kuonesana kuti zvoita here kwete kungoita
zvemusoro wako"

"Makoti wangu huya ugara apa ndikuudze


nyaya.Yeu ari kufunga kuti akawinner but
chokwadi ndechekuti ava kuzviyanika
pachena.Ndiri kuda kuita muCID saka ndiri
kutodzidzira basa racho ndichiri mudiki"
"Basa iro riri dangerous tete rinopinza family
yenyu pama1"

"No ndakangwara mirai ndingokuratadzai kuti


ndofunga"

Tamia akabva andiratidza video raYeukai


akabata mwana wangu achichema.Ndipo
paindipa mission yekuenda kuna
Larry.Tamia akabva atomisa video
riya.Ndakashaya kuti akatora sei video iri iye
anga akasungwa.
"Saka waritora sei video iro"

"Chazokuudzai makoti just know ndiri


kuzviitira imimi"

Ndakafunga zvaitika kuchipatara handina


kuziva kuti zvazofamba sei.Ndakaendako
ndikasvika mapurisa atobata Sharo akaiswa
njema.Ndakaenda paiva naDeviya.Ndakaisa
foni yangu parecord.

"Deviya please udza mapurisa chokwadi


chakaitika.Ndiwe unokwanisa kubudisa Larry
mujeri"
"Ruvimbo zvakafanana Larry kubuda kana
kusabuda mujeri haandide anoda iwewe.Day
randakabaiwa haana kurara kumba hanty
akauya kuona mwana wako ndiri kuzviziva
zvese" akadaro achitaurira pasi.

"Larry anokuda wani.Aitotaura nezvako


please mubudise ndoita zvekuti munyatse
kudzokerana"

"Anondida sei ndisisina mimba"

"Usandityira ingomubudisa chete ndoziva


zvandichaita kuti mudzokerani"
"Plus mai Rita naRita havandid"

"Ndichaita vakude please mubudise kani"

"Yeukai handidi apinde mujeri now.Ndoda


kumbomudzidzisa life yaasingafe
akakanganwa akabaya munhu asiye" said
Deviya.

"Deviya ungakwanisa kutiudzawo here


zvakaitika kuti uzobaiwa nebanga"akabvunza
umwe mupurisa.

"Ndakabaiwa naSharon.Akauya achida


kuona Yeu ndikati haapo handina kuziva kuti
atori nemission yekuda kundiuraya"

Deviya akaratidza kusafunga.Sharon


akaendwa naye ndikasara naDeviya.

"Deviya zvawaita hazvisi right.Dai wataura


chokwadi Yeu asungwa ari dangerous
munhu uyu"

"Hapana dangerous yaari.Ndoda


kumudzidzisa lesson handisi munhu
anojairirwa zvechishiri mira uone.Ndaisada
kusungisa Sharo asi ndazviitira kuti Larry
abude mujeri.Iwewe uchaita zvawa promiser
ukasadaro unondiona"said Deviya.

"Ummm okay"

Ndakabva ndatobuda kuenda


kumba.Ndakasvika kamwana kangu kava
kuchema.

"Mwana abvira kare kuchema.Rue uri


kunyanya kufamba famba" said Mai Tamia.

Ndakatora mwana ndikamuyamwisa


ndakabva ndavaudza zvaitika kwandabva.
"okay but please don't tell Mai Rita zvakaitika
kuna Rita ndichavaudza ndega"said Mai
Tamia.

"Okay"

Ndaifunga kuenda kumapurisa kunovaudza


kuti Yeu ndiye akabaya Deviya.Evidence
ndanga ndava nayo nekuti ndikasadaro
Deviya aizopedziswa naYeukai chete.

_thanks nemacomments_
Watch out for chapter 29
*MOYO WANGU*
_My heart_

https://chat.whatsapp.com/EeEjFSwBQgG4X
LIJSRmoco

*_Written by King Lee_*


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562

*Chapter 29*

*Larry*

Ndakabudiswa mujeri ndichiudzwa kuti


akabaya Deviya awanikwa.Ndakabvunza
ndichida kumuziya asi ndakashamisika
ndichiudzwa kuti ndiSharon.Moyo wangu
wakandirambira Sharo anobaya Deviya
pakudii vasina daka.Munhu wandaifungira
ndiYeukai chete ndakatoona kuti pane
yatambika.

"Larry help me ndasungirwa zvandisina


kuita.Ndaida kubatsira Deviya nekuti I know
Yeu akatsamwa hapabude
chakanaka.Maoko hangu haana ropa aya
plizz help me"

"Saka mati Yeukai ndiye akabaya Deviya"

"Yes ndiye asi haana hake kundiudza but


ndakanzwa achitaura nasomeone nenyaya
yekuda kuuraya Deviya that's why ndaenda
kuchipatara ndichida kumuendesa
kunzvimbo iri safe chero hake asina
kundinzwisisa"

"Sister nyararai musada kuzvichenesa


munhu wamakabaya ataura ega kuti ndimi"
akadaro umwe mupurisa.

Ndakatanga kuita kaconfusion panguva


iyi.Sharo ari kuti Yeu ndiye akazviita yet
Deviya ati Sharo ndiye
akamubaya.Ndakatoona kuti pane
panyepwa chete.

"Okay Sharo ndichanotsvaga chokwadi don't


worry ndokubatsira"
Ndakabuda ndikaenda kumba
kwangu.Ndakasvika kuwana kuwana paine
vana vaimhanyisana panze.Kadiki kacho
ndakaona kakafanana
naYeu.Patwakandiona twakamhanya
kupinda mumba.Ndakabva ndapindawo
mumba ndikaona mapictures aiva kumadziro
anga abviswa.

"Mhamha honai mbavha" kakadaro kadiki


kacho kachitaura naYeu anga akagara
pasofa.Yeu akabva anditarisa ndakaona
kakuvhunduka maari.

"Larry"
"Ko vana vako here ava"

"No vana vaSharo" said Yeu achiuya


kwandiri akabva andipa hug akatanga
kundikisa muhuro.

"Ummm ndanga ndakusuwa"Yeu said


nekavoice kari sexy.

"Mhamha ndiani uyu"

"He is my hubby"said Yeu.


Ndakabva ndafamba kuenda kunogeza.Ndiri
mubathroom ndakarangarira pakauya Rue
achindisainisa mapaper eimba.Ndakabuda
mubathroom ndikaenda kwaiva naYeu.

"Mhamha why matiramba muchiti hatisi vana


venyu.Hamutide ndazviona"

"Ndiri kuziva zvandiri kuzviitira Jane.Dai


ndisingakudei ndisina kukutorai kumusha
kwamanga muri"

"Saka vana vako uchindinyepera nhai"


ndakadaro.
"Yes vana vangu wafunga kudiii"

"Get out zvangu newe zvakapera.Pano


pamba pangu chibuda uende kumba kwako"

"Ooh pamba pangu saka iwe rongedza


ubude.Ndanga ndatombokunzwira tsitsi"said
Yeu.

"Dzikama pane mari yawakaisa pakuvakwa


kweimba ino here"

"Ndiwo mubhadharo wekurara


neni.Unofunga ungarara neni mahara here
plus ini handina kubvira ndakuda ndakatoona
kuti wakadzungaira une kachimusha musha
mauri.Nditori nemunhu wangu ari kuda
kundiroora nd----"

Haana kupedza kutaura ndamupa


mbama.Akabva atora water glass raiva
paruoko akanditema naro paruoko
pakatanga kubuda ropa.Mashoko akataura
Yeukai akandibhowa handidi kunyepa.

"Uri muroyi wanzwa manje ini hakuna


kwandoenda pamba pangu pano.Haunyari
kuda kudya zvausina kukohwa.Hongu ndine
chimusha musha but ndoziva zvandoita
ndakatovaka imba neshop iwe hauna
chaunacho basa kungofunga kukwirwa apa
haunaki imvura dzega dzega.Yeukai kana
neni ndaisakudawo munhu wandaida
ndiRuvimbo kungoti ndaisazviona but now
ndakuzviona tatova nemwana futi"
ndakadaro.

Joker akabva asvikawo achiratidza kuti


haana mufaro.Yeu akatanga kupopota
achinditi ibva pamba pangu
ndichiramba.Vakabatsirana naJoker
kundidzinga pamba pangu.Ndakarwadziwa
kusvika kwekupedzisira.

Ndakapinda mumota yangu ndikabva


ndarova pasi.Yeu aisakwanisa kutora mota
nekuti yaiva yebasa.Ndakasvika pamba
paMai Tamia vanhu vese vaivapo
vachiratidza kuti havana mufaro.Ruvimbo
achindiona anomhanya kutora kajira
akandisunga ruoko rwaibuda ropa.Achipedza
anodzokera kunogara pane mwana wake
Ndakashamisika kuona baba namai vangu
varipo asi Rita ndiye wandisina kuona.

"Mwana iwewe unonyadzisa dai usina


kuvhurirwa wanzwa.Ndakambozvitaura
ndinenge ndakachinjirwa mwana chete
nekuti handina mwana muroyi akaita
sewe"said mhamha maziso avo akaita
red.Ndakashaya kuti inyaya yei
yandaitukurwa apa.

"Mai Rita" vakadaro Mai Tamia vachizama


kudzikamisa moms.Mudhara vanga vari zii.
"Tiri kusangana nemaproblems nekuda
kwake.Izvozvi Mai Maka vari kutambura
unoziva Baba Maka ndivo vairaramisa mhuri
yavo.Wakatovaurayisa ndanyepa here taura
ka tinzwe" vakadaro mai vangu.

"Mhamha handina kumbouraya Baba Maka


nyaya yacho iri kupolice vakashaikwa day
riye randakaenda kunoroora y....."

"Handina kuti handide Yeu aite muroora


wangu here iwewe ukati kamai aka
kanopenga ukaita zvemusoro
wako.Wakaratidza kusanditerera manje
hazvishamise ndiwe wakauraya futi
Ranisha.Rita akasangomuka unondiona"

Pakabva pasvika mota yekubasa


kwandaishanda.Ndakabva ndapihwa
tsamba.Ndakaiverenga ndikaona iri
yekumiswa kwebasa rangu.Mhamha
vakabvuta vakaiverenga.

"Vagona nekuti hapana anoda kushanda


nemhondi.Ndaishaya kuti mari uri kuiwana
kupi izvo wakanoromba zvako.Kana uriwe
wakauraya Ranisha mwanawangu anga
asina nechitema nemunhu.I curse you kuti
pazvinhu zvauchaita apana
chichabudirira.Moyo wangu uri kurwadza
mwana wangu Rita ari pacoma nekuda
kwako.Murume wangu haasi kugona
kufamba,Mai Maka vari kutambura nekuda
kwako"

Pasina nguva pakasvika munhu wekubasa


akauya nemapaper andakaisana vakatora
mota yavo.Ndakatarisa Ruvimbo ndikaona
akatsikitsira pasi achiratidza kuti
aichema.Tamia anga akangonditarisa
achiratidza kurwadziwa.Mhamha vakabva
vandidzinga pamba pamai Tamia.

"Stop mhamha.Chero mukadzinga Larry


hazvichinji angori mwana wenyu.Mungadai
muchitsvaga solution yekuti topedza sei zviri
kuitika.Kumudzinga hakusiko kusolver
nyaya" said Tamia.

"Tamia nyarara chii chaunoziva.Uri


kumusupport pakudii hee usada kundikwidza
hasha dzangu"said mhamha.

"Okay ndinoenda hangu but ndine mashoko


andinoda kutaura nemi.Mari yangu haisi
yekuromba zivai izvozvo.Plus handina
zvekutsakatika kaRanisha hapana
chandoziva inga moziva ndaiva ndichiri
kuhigh school madays aye.Hapana
zvandakaita baba Maka"

Ndakabva ndatotakura bag rangu


ndikatevedza road.Ndakaenda kunogara
parimwe ground ndikatanga kuchema
ndiripo.Family yangu hapana
achandida.Saka tsvimbo iyi ndiyo iri
kukonzera zvese nhai.Manje ndoita sei kuti
ndiidzose zvakayasara kumba kuna
Yeukai.Mari ndaiva nayo kubank
yakawandisa asi hakuna kwayaizondisvitsa
kana ndisina kubasa kwandiri kuenda.

Ndakatsvaga ka one room kekuroja


ndikakawana imo muma areas ana Mai
Tamia.Handina kuda kuenda kure ndaida
kupota ndichiona mwana wangu
Kisha.Handizive Rutendo aizondida here
nezvaanzwa izvo.
Mazuva akafamba ndichitsvaga basa asi
hapana randakawana.Ndakanzwa kumusha
vakagara dare vachiti ndakaurayisa baba
maka naRanisha.Pakutaura kwavo vanoti
Ranisha ndiye wandakatanga kuuraya
ndikatevera Baba Maka.Muvillage medu
shoko rakafamba mukatanga futi kufamba
guhwa rekuti ndini ndakauraya futi
Madzibaba Pita.Shoko rakabva raendeswa
kwamambo.

Nyaya yacho yakanzi yaizotongwa


mumazuva anotevera.Kana pashop pangu
hapana anga achatenga zvinhu.Ndipo
pandairara kana ndikaenda kumusha pamba
ndanga ndakabhanwa.Ndakafunga kunoona
madzibaba Handiriya
vandibatsire.Ndakasvika vachitonzi vava
nemwedzi vasiri kuno vakaenda kuGweru
havazivikanwi kuti vanodzoka rini.

"Larry wekuromba" said Desire achiseka.

"Kashop kako aka ndaona katsakatiswa


nevanhu nekuti vakatsamwa" said Dee

"Hapana munhu ari kuda kutsakatisa shop


yangu kunze kwako chete"

"Haa mupfana dzikama mari haidi dzungu


serako inoda vaijaira"said Dee.
Akabva atoenda hake mota yaiva nayo yaiva
nyowani.Makuseni ndakamukira kuenda
kugomo kuya kwakatsakatira
Ranisha.Pandakasvika ipapo
ndikangotenderera ndichitarisa
tarisa.Ndakadzoka ndikasvika kuwana shop
yangu yapwanywa mawindow
mukabiwa.Ndakarwadziwa ndakabva
ndatodzokera kutown kuka one room
kandairoja.Ndakaenda kumba kuna Yeukai
ndikasvika paine party.Pagate paitova
nemaguard zvekuti kupinda kwangu
kwainetsa.

"Okay ndokumbirawo kuona Yeukai"


"Musapinza munhu iyeye mukandirei kure
uko anovhiringa party" akadaidzira Yeukai ari
kure.

Kapain kekudzingwa pa imba yawakavaka


kanorwadza kupfuura kapain kekurovera
necorner yewindow ndakazviona.Chandaida
itsvimbo kuti ndidzoke nayo kwasekuru
ndanga ndafunga kusurrender zvese namari
yandanga ndinayo.Ndakazoenda kwasekuru
Urimbo ndisina tsvimbo yacho, ndakasvika
pangori nevana vavo.Vakandiudza kuti
sekuru Urimbo vakashaya last week.

"Eish ma1 ndine tsvimbo iri kumba


yanditambudza".
"Pano hapana anoziva zvemishonga izvi
saka matoita munyama.Sekuru Urimbo ndivo
vaikwanisa kukusungurai nekuti ndivo
vanoziva zvavakaita manje isu hapana
chatozivawo"

Ndakadzoka ndapererwa nezvekuita.Madays


mashoma iwayo ndanga ndatoonda.Ruvimbo
handina kubvira ndakamuona ndakatoziva
kuti haachadi kundiona.Ndakazoshevedzwa
kwamambo ndikabvunzwa kuti
ndakazviitirei.Ndakaramba kuti hapana
zvandakaita.Mambo vakati hapana mhosva
yandaona pamunhu uyu asi vanhu vese
vakarambirana nazvo.Mambo vakazoita
zvinoda vanhu vavo.Ndakadzingwa
muvillage mandakakurira ndichirohwa
neshamhu vamwe vachitema nematombo
zvekuti body yangu yakagumisira yava
nemavanga.Desire namai vake ndivo vaiva
kumberi vachitungamira boka
raindidzinga.Vakanondisiya kuboarder
rekune rimwe dunhu.

"Muroyi ubve wagara ikoko.Family yako


ndiyo yasara kukutevera" said Mai Desire.

Ndakaona kuti hapana chandichararamira


panyika.Family yangu haichandide,Ruvimbo
anodiwa nemoyo wangu hasisinawo basa
neni.Ndakaona kuti kufa ndiyo best
solution.Ndakaenda pane kamwe kashop
kunotenga mushonga wemakonzo.Asi
munhu aitengesa akaramba
kunditengesera.Ndakabuda ndikaona tambo
yaiva panze.Ndakaitora ndikaenda kwaiva
nemiti yakawanda.Ndakasungirira tambo
yangu pamiti ndikaisa muhuro.....

_drop your comments_

*Watch out for chapter 30*


*MOYO WANGU*
_My heart_

https://chat.whatsapp.com/EeEjFSwBQgG4X
LIJSRmoco
_like our FB page_
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

*_Written by King Lee_*


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562

*Chapter 30*
*Ruvimbo*

Ndichiona Larry achipushwa nevanhu


vachiita zvanoda naye ndakayeredza
misodzi.Hapana zvandaikwanisa kuitawo
kunze kwekungochema.Kisha kakatanga
kuchemawo ndakakasiya kakadaro.Tamia
akauya nako kwandiri ndikabva
ndatokabereka.

"Ruvimbo ukuda kuendepi"

"Tamia ndiri kudzoka"


Ndakatora mari yangu ndikaipfekera
mubraa.Ndakatevera chaunga chairova
Larry.Desire aiita zvanoda naLarry ndainzwa
hasha but zvekuita ndipo pasina.Akanosiiwa
kure ndakabva ndahwanda ndichida kuona
kuti Larry anoendepi.Ndakaona apinda mune
imwe shop.Zvese zvaiita
ndaizviona.Ndakaona atora tambo
akazvipfekera muhuro.

"Larry"

"Ruvimbo"
"Une shuwa ne decision yawafunga kutora
wambofungawo Kisha neni here usati
wazviuraya"

"Ruvimbo haungazvinzwisisi mai vangu


vakandiramba.Hapana ari kuside kwangu
imba yangu yakatorwa everything"

"Not everything Kisha neni hatina kutorwa tiri


kuside kwako.Kuzviuraya haisiyo solution
Larry behave semunhu akura.Hakuna
problem isina solution" ndakadaro.

"But Rue....."
"Problem yako uri selfish haudi kushare
nevamwe dambudziko rako"

Kisha kakatanga kuchema ndakaenda


kunogara padombo ndikatanga
kukayamwisa.Larry anga akangonditarisa.

"Kisha hona daddy vako vakuda


kuzvisungirira nekuda kwehuselfish
hwavo"ndakadaro.

Ndakaona Larry auya kugara paside pangu


akatanga kurondedzera mawanira akaita
tsvimbo.
"Wati wakanonga goridhe usati wapedza
kubvisa mari yaSekuru Urimbo"

"Yes kubva ipapo handina kuzoendako"

"Maonero andazviita sekuru ava vaida


kukurombesa usingazive, hazvina
kuzobudirira mushure mekunga wanhonga
goridhe.Mwari ndivo vakaita unhonge gold iri
ukabva wamira kuendesa mari yekupedzisira
kureva kuti zvekurombeswa hazvina
kuzobudirira"

"What!!!"
"Now wakuvara zvakanyanya tofana kuenda
kuchipatara" ndakadaro.

"No ndikuda kuenda kutown ndorapirwa


ikoko"

Takabva taona kamota tikaenda


tese.Takasvikira kuchipatara akapihwa
mishonga.Takaenda kwairoja Larry manga
musina nechinhu zvaitonzwisa tsitsi.Foni
yangu yakatanga kuringer ndikaona vari Mai
Rita.

"mai kisha uripi kwasviba uku"


"Ummmm mhamha sorry ndazobuda ndisina
kutaura ndiri kwatete vangu kwaOdzi"

"Mai Kisha hausi kundinyepera iwe.Ko


hembe dzako nedzemwana zviri kuno wani"

"Mhamha ndatakura dzimwe musandityira"

"Okay ukurumidze kuzodzoka mai vako vari


kuda kukuona"

Ndakabuda kunotenga chikafu tikadya asi


Larry waitoona kuti ane stress.Achipedza
kudya akabva anwa mapills
ake.Ndakambotaura naTamia ndichimuti
auye mangwana.Nyaya yakazoitika aiva
negumbezi 1 zvaisaita tishare.

"Fuga hako Rue"

"No iwewe fuga hausi kunzwa bhoo"

"Nditori bhoo"

Ndakatoona kuita nharo kupedza


nguva.Ndakafuga gumbezi riya
ndakazomuka Larry arara ndikamufukidzawo
gumbezi.Kuchiedza ndakamukira kugeza
nekugezesa kaKisha.Larry akazomuka zuva
rabuda.

"Good morning Larry"

"Larry ndiani"

"Umwe ndiani"

"Wakufarisa handichanzi Larry.Ndimhorese


zvakanaka"

"Mamuka sei Baba Kisha"


"Ndamuka bhoo Mai Kisha.Thanks nekuva
kuside"

"Ndagara ndiri kuside kwako asi moyo wako


unoda kurohwa unofarisa" ndakadaro.

"Dai Mwari vandiregererawo.Ndakamhanya


kunoita zvinhu nguva yaMwari isati
yakwana.Kanhu kanonzi moyo kakaoma
ndanga ndazara neruchiva too much"

"Kusarohwa uko" ndakadaro ndichiseka.


Deviya akabva andisendera message achiti
"hie" ndakarohwa nehana.Ndakabva
ndafunga pandakamupromisa kuti
ndaimubatsira kuti azodiwa naLarry uye kuti
Mai Larry vamude.Handigoni kubreaker
mapromises asi iyi yanga
yakandiomera.Kungoti ndaiva ndisina option
ndaizviitira kuti Larry abude mujeri.

"Uri kufungei Rue"

"Hapana.Can I ask you something"

"Ask"
"Deviya uchiri kumuda here"

"Ndaimuda kudhara kubva madays


akandirwadzisa handina kuzobvira ndamuda"

"Kana uchiti hauna kubvira wamuda unorevei


iwe wakarara naye ukamumitisa"

"Ndanga ndava neruchiva too much plus


ndaida kuona ndozvarisa here ndiyo imwe
nyaya yakaita ndirare naye"

"Unopenga wanzwa ko dai wakapihwa


chirwere waiita sei"
"Ummm handina kumbozvifunga ko
kwakanaka here.Ruvimbo ndiwe musikana
wandinoda.I love you with all my heart"

"Aaah handidi"

"Ndirambe wakanditarisa mumaziso"

Ndakamutarisa asi mashoko akaramba


kubuda.Ndakaramba ndakanyarara
ndakazoponeswa nemwana anga ava
kuchema.Ndakatora mwana wangu
ndikabuda kuenda kwana Tamia.Ndakasvika
kumuchinja hembe dzake.
"Ndiri kurwadziwa nezuro sadza rakaramba
kudzika pahuro ndichifunga mkoma vangu
vari kuzvigonawo sei.Zvekuti mkoma Larry
vakaromba ndozviramba ini.Mainini Mai Rita
vakandibhowa day riya ravakatuka mkoma
vachiti ndivo vakauraya Ranisha.Vanongoita
hasha dzisina nebasa nxaaa"said Tamia.

"Tete hamungazvinzwisise maida vaite


sei.Vanga vagumbukawo
muchazozvinzwisisa kana mava mai kuti
mwana wako akaita musikanzwa
unotorwadziwa"

"Yes unorwadziwa but kwete zvekuzoramba


mwana wako uchi mucurser zvinobatsirei
nhai.Instead yekuti vagare pasi vagadzirise
pane problem.Hakuna problem isina solution
ndizvo zvandoziva.Mkoma Larry vakawana
chavanovana vanondiona vese nana Yeu"

"Larry ari safe now don't worry.Tete now


chimbodzikamai hamufani kutsamwira
moms.Kungoti manzwiro avakaita nyaya
ndiwo asiwo"

"No problem now ngatiende kujeri kunoona


Sharo tobva tananga nekuhosptal kuna sis
Rita"

Takaenda kujeri kunoona Sharon.Ndakaisa


foni yangu parecord.Tamia ndiye akatanga
kutaura naye.

"Sharo unoziva kuna Baba Maka


here.Vapenyu here kwavari" akabvunza
Tamia.

"Handizive asi chandiri kuziva ndechekuti


vakatorwa naYeu naStella hanzi vanga vane
mari yavanayo here handina kunyatsa
kunzwisisa nyaya dzacho"

"Stella ndeupi ihama yenyu here"

"ibest friend yaYeu ndiye anga ari Mai


pakauya Larry kuroora"
"Whattt!!!?

"Yes vanhu vese vaiva pamarooro


mashamwari aYeu.Ini ndaisada kuuyako but
Yeu akandinamanikidza aida kuti Larry asa
suspect"

"Oooh nhai Mwari.Ko why uri kundiudza


zvese izvi thought uchadefender munin'ina
wako" said Tamia.

"Ndaneta nelife yekushungurudzwa


nemwana wamai vangu.Ndakatanga
ndichamu defender asi ndakaona ndini
ndongofira mhosva dzake.Stella ndiye
wanoda kupfuura ini mwana wamai
vake.Chero ukaenda kunotaura mhosva
dzake kumapurisa nyaya yacho inotsikwa
tsikwa ndoshaya akambodyei Yeu chekuti
asasungwa"said Sharo.

Ndakaramba ndakamutarisa ndakaona


aitaura chokwadi.Airatidza kurwadziwa
nezvaiitwa naYeu.

"Ndakambozama kumutsiura asi ndotoita


kunga ndopenga"

"Ko Deviya waida kumudii kuchipatara"


ndakabvunza.
"Ndakanzwa Yeu achifonera Stella kuti auye
kupedzisa Deviya.Moyo wangu wakarwadza
kuti mwana mudiki akaita seDeviya
ongouraiwa like that no ndozvandakaramba
chero hake Deviya wacho akazondisungisa"

"ko mungandiudzawo here kuti Yeu ndiye


akauraya murume wake.Sharo tell me the
truth ndini ndega ndoita ubude mujeri muno"
ndakadaro

"Murume waYeu akarara neni.Ndingatoti


akatondinamanikidza paisava
nekakubvimirana saka Yeu akazviona
akabva auraya murume wake"
Time dzekuona musungwa dzakabva
dzakwana tisati tapedza kutaura
naye.Takabva taenda kuchipatara Rita anga
asati angomuka.Ndakasiya ndanamata
tikaenda kumba ndipo pakafona Deviya
achiti aida kundiona zve emergence.

"Deviya ndiri kumutyira anogona kunyudzwa


navo vana Yeu" ndakadaro.

"Musiye akadaro anoda kuzviita


haabvire.Akandibhowa pakasungisa Sharo
nemhosva yaasina kupara"
"Evidence yatava nayo I think yava bhoo kuti
tichiroverera Yeukai this time haabude
vanobatwa vese naYeu" ndakadaro.

"Yes but tisati tamuroverera ndoda kutanga


ndanyadzisa Yeu first mira uone"

"Tete kumunyadzisa how ngatingoenda


kumapurisa tovaratidza evidence yatava
nayo"

"Mirai muone.Now ngatiende kumba


kwaYeukai"
Takaenda kumba kuya takasvika pangori
naJoker nevana vaYeu.Ndakashaya kuti
Joker aitsvagei pamba apa.Tamia akasvika
nekupinda mumba akabuda nebag randisina
kuziva kuti nderani.Akadzoka futi akabudisa
mabag ese panze ndakazoona kuti zvinhu
zvaYeukai.

"Tamia uri kuitei" ndakabvunza.

Joker akabata Tamia achizama


kumumisa.Asi Tamia wacho aisamisika
zvekudaro.

"Joker usapindira nyaya dzausingazive


dzakatangira kupi unofira mahara" said
Tamia.

"Hapana zvaunondiudza haungosvike


uchipinda mumba maYeu asipo"

"Uri kuona iri imba yaYeu here udzikame


Joker" ndakadaro.

"Iwe Rue handisi kutaura newe gara


wanyarara"said Joker.

"Hautaure natete vangu uchidaro unofunga


ndinokutya here.Hazvishamusi kuti uri
kutoshandiswa naYeu" ndakadaro.
Ndakaona Tamia akubuda mumba akabata
vana vaYeu akavakanda panze akabva
atokiya door.

"Haunyari here musikana iwe kuda


kutidzinga pamba pamai vedu" kakadaro
kaJane.

"Fonerai mai venyu vauye toda kuona kuti


imba ndeya mai venyu here" said Tamia.

Joker akabaya baya foni akafonera


Yeukai.Yeu wacho haana kutora nguva
kusvika pamba akashamisika kuona zvinhu
zvake zviri panze.

"Chiii chikuitika pano"

"Varidzi vepamba tadzoka manga mati chii


vamuhure" said Tamia.

Ndakabva ndaona Larry achisvikawo


nevamwe varume vaviri vandisina kuziva kuti
ndivanani.Asi chandakaziva ndechekuti
Tamia ndiye audza Larry kuti auye.

"Ndiani abudisa zvinhu zvangu huh"


"Varidzi vemba ndivo vabudisa manga mati
chii ambuya" said Tamia.

Hana yangu yairova ndaityira tete


Tamia.Nekuti Yeu haatambeki anogona
kungobudisa pfuti akashudha tete vangu.

"Handidi zvekujairirwa wanzwa here.Tanga


wanogona kugeza first kana uchida
competition neni" said Yeu akabata Tamia
pahuro.

"Handiite competition nemahure.Budisa


chinhu choratidza kuti imba yako"said Tamia.
Yeukai akaenda paiva nemabag akabudisa
mapaper acho.Tamia akatanga
kumaverenga akabva atanga kuseka.

"Wandiratidza kuti wakapusa wakatadza


kuona kuti mafake papers aya"

Tamia akabva abudisa ma originals


acho.Ndanga ndisina kumboziva Tamia
akangwara kudai.Ndiye akanogadzira
mapaper efake......
*Thanks nemacomments enyu*

Watch out for chapter 31


*MOYO WANGU*
_My heart_

https://chat.whatsapp.com/EeEjFSwBQgG4X
LIJSRmoco
_like our FB page_
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

*_Written by King Lee_*


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562

*Chapter 31*

*Ruvimbo*

Ndakaona uriwo mukana wekuti Yeu


asungwe.Ndakafonera police pasina nguva
yanga yatosvika.

"Officer arrest this lady ndiye akabaya


Deviya" ndakadaro.

"Sister ndizvo zvamatifonera here.Yeukai


haana mhosva munhu akaita izvozvo ari
kujeri"

Ndakavanzwisa audio yaDeviya achitaura


kuti Yeu ndiye akamubaya.Ndakaplayer
imwe audio yaitaura Sharo.

"Tinozviziva kuti makavenga Yeu haana


mhosva.Makagadzira evidence kuda kuti
timusunge" kakadaro kamupurisa
kechikadzi.Ndiko kekundirafura madays
andakauya kutaura nyaya yangu ndarepwa.

"Imimi mai hamugoni basa renyu asi rough


ndoyamunogona.Kuda kungodya mari
mahara pasina chamuri kushanda muchiri
kurangarira gore riya ndakauya ndichitaura
zvekubatwa chibharo kwangu
mukandipindura rough.Musafunga hatiigoni
nxaaa kuita mupurisa hazvishamisiri
manzwa" ndakadaro nehasha.

Tamia akauya pandiri achida kuzama


kundidzikamisa.
"Ndakuratidzai evidence yekuti munhu ari
bad mava kuti ndezve fake.Manje ini ndiri
kuenda kumukuru wenyu"ndakadaro.

Varume vanga vauya naLarry vakabata


Yeu.Kamupurisa kaya kakabva katanga
kusasa nyemba.Ndakabuda ndikafamba
kuenda kupolice station ndava kuda kusvika
ndakabatwa ruoko.Ndakacheuka ndikaona
ari Deviya ndakashaya aibva kupi uye
achienda kupi.

"Ko uri kumhanyirepi"

"Wait Deviya ndiri kusvika pamapurisa"


"Kwakanaka here"

"Yava nguva yekuti Yeu asungwe"

"No hazviite ndoda kutanga ndambo dealer


naye first ne....."

"No Deviya unouraiwa munhu ari dangerous"

"Munomupa mbiri yaasina mhani.Izvozvi


ndava bhoo ndakukwanisa kuita revenge
yangu"said Deviya.
"Deviya ini handisi kudzora tsvimbo"

Ndakatanga kumhanya Deviya akasara


akamira.Ndakasvika papolice station
mapurisa aya andanga ndasiya kumba
avapo.Ndakatoona kuti something fish
chete.Kuti mapurisa aya vamhanya kuudza
boss vavo.Yeu anogona ane connection
nevanhu ava.Vanogona kuclear information
yandinayo.Ndakabuda ndisina chandataura
ndikabva ndamiswa.

"Ko mauya kungomira nekubuda hanzii"

"Ndadonhedza mari yangu ndiri kudzoka"


ndakadaro ndichinyepera kutsvaga tsvaga.
Ndakabuda ndikafunga kuenda kutown
kwaiva kamba yemapurisa.Ndakaenda ikoko
ndikasvika kutambirwa neumwe mukadzi
anga akasimba.

"I'm officer Stella Gauro how can i help you


young lady"

Pakangotaura zita rekuti Stella ndakarohwa


nehana.Akabva aramba akanditarisa achiita
kunga aindifananidza.Ndakaona akubaya
baya foni yake.Akabva abuda achiti
akudzoka ari pacall.Ndakabuda ndikapinda
mune imwe office yaiva neumwe murume
aiva busy kunyora nyora.Semaonero
andakaita ndiye shefu wacho nekuti aiva
nenyembe.

"Sir please help me" ndakadaro misodzi iri


pamatama ndakapfugama.

"Gara pachair apo utaure nyaya yako"

Handina kukwanisa kutaura ndakabudisa ma


audios andaiva navo pamwe chete nevideo
rakatorwa naTamia riye.Ndakaona sir vaya
vavhura maziso zvekuratidza kushamisika.

"Ndatoona kuti ndokwanisa kubatsirwa pano


nekuti mapurisa ekwatinogara haakosheshi
zvichemo zvevanhu"

Sir vakatsamwa zvandakaona.Takabuda


tese tikaenda kuoffice kwaStella.

"Go and arrest Yeukai now ndaneta


nekunzwa macomplains ake"

"Aita sei "

"Enda unoita sezvandataura asi uchaenda


naVisco"
Officer Stella vakatora mapurisa matatu
neumwe murume anga akapfeka sutu anonzi
Visco.Takapinda mumota ndaivapa
madirection takasvika Yeu
achakangobatwa.Larry akaramba
akangotarisa Officer Stella kuratidza kuti
aivaziva.Ivo Officer vakaramba vakatarisa
Larry naYeu.

Deviya akasvikawo nebag rake.Achiona Yeu


anomhanya kunomurova.Tamia ndiye
anozobata Deviya ndiko kudzikama
kwakaita.

"Mai Yeu muri mupurisa"said Larry


achiratidza kushamisika.

"Oooh munhu uyu anoshanda naYeu havasi


mai vake" ndakadaro.

"Yeu ngasungwe ndiye


akandibaya.Musungei"said Deviya
achidaidzira zvekuti kana vari kure vaigona
kuzvinzwa.

Hameno kuti Stella akaremerwa nekusunga


Yeu here anga angori zii.Vamwe vake
vakamirira order inobva kwaari.Ndakaenda
pana Visco ndikamuratidza information
yese.Officer Stella ndakazongoona
vafenda.Vakadirwa mvura naTamia
vakamuka.
Vachimuka vakabva vatosiwa njema pamwe
chete naYeu.

"Visco handina mhosva.Sunga Yeukai chete"

"Unopenga Stella usaita kunga taisaita tese


madhiri aya "said Yeu.

"Vana vangu kani"said Yeu akatarisa vana


vake vaichema.

Vakatorwa kuendwa navo.Larry akabva andi


hugger akabva andipa kiss.Ndakatanga
ndichikatensa ndikagumisira ndava
kurespondawo.Pandakafunga kuti Deviya
aivapo ndakapusha Larry.Ndakatarisa
Deviya ndikaona akatarisa pasi achiratidza
kurwadziwa.

"Ruvimbo why" said Deviya ndakaramba


ndakanyarara.

"Larry kubva kwakaita nhumbu yangu


hauchatondide nhai ka.Ruvimbo wakandi
promisa kuti chii nhai"

"Deviya handina kuita ndichida ini"


"But wanga watobatirira wani"

"Deviya siya kunetsa mukadzi


wangu.Madays andaikuda wakandishainira
hazvishamisi kuti yaisatova yangu
mimba.Deviya kutaura chokwadi handisisina
mafeelings newe munhu wandinoda
ndiRuvimbo chete"said Larry.

"Larry saka why wairara neni uchiziva kuti


haundide.Saka waipretender kunga uri
kundida wakanganwa day riya mumota
uchiita seuchafira pamusoro pangu nhasi
uno wondiudza kuti unoda Ruvimbo"

"Ndaida mwana ndosaka ndakarara newe


ndaiziva haurambi nekuti uri so cheap.Manje
Ruvimbo ndakamuwina ari virgin
ndomusiyana wacho wotorova pasi
handikwanise kugara newe pano"

"Deviya rova pasi tione ukada kuita


something bad unotevera mbuya Yeukai"said
Tamia achipusha Deviya.

"I love you Ruvimbo"

"But zvawaita Deviya hazvisi fair"

"Ndava kuda kurarama patsva.Ndoda


kutanga new chapter newe pasina
umwe.Nditarise mumaziso undiudze
haundide"said Larry.Ndakabva ndatarisa
mumaziso ake.

"aaah"

"I love you with all my heart Ruvimbo"

"I love you too"

Ndakabva ndapihwa kiss apa Joker anga


akamira paside nevana vaYeu.Takakisana
kwenguva yakareba tikazosiyana.Larry
akatora mwana wake akapinda
mumba.Joker akabuda achisiya vana vaYeu
vega.

"Ndoda mhamha vangu" kakadaro kaJane


kachichema.

Ndakanzwa tsitsi vana vaisava


nemhosva.Ndakavatora ndaizopa Sharo
kana abuda mujeri.Ndakapinda natwo
mumba Larry akapopota.

"Handidi kuona vana ava mumba muno"said


Larry

"Unoda vaende kupi.Ndanga ndichiti tifano


gara navo kusvika Sharo abuda"
"Ruvimbo ndikaona vana ava ndonzwa
hasha"

"Makoti ari right unoda vana vafire mhosva


dzamai here.Ukatarisa zera ravo vachiri
vadiki havana chavanoziva"

Zuva rava kuvira Sharo akasvika achitenda


ne effort yatakaisa kuti Yeu asungwe.Akatora
vana vaYeu akaenda navo.

"But you guys beware of Deviya handimuoni


mushe" said Tamia.
"Deviya hapana zvanoita uyu"said Larry.

Takaswera uri mufaro kuti Yeu


aenda.Makuseni Sharo akatifonera achiti
tiende kumapurazi kunotora Baba
Maka.Larry akakumbira mota kune umwe
waimboshanda naye.Takaenda kumapurazi
kwava kusviba.Mota yaimhanya ndanga
ndakatarisa panze ndikaona umwe munhu
wandakashaya kuti face yake
ndakamboiwana kupi.

"Stop Larry"
"Chiii iwe"

"Ndati mira mhani"

Larry wacho akanomirira kure.Ndakadzika


ndikamhanya kudzoka
kumashure.Ndakasvika pane vamwe
mai.Ndakatsvaga munhu wandanga ndaona
handina kumuona.Ndakafunga kuti zvimwe
ndatadza kuona mushe.

"Makasimba here mhamha"

"Ndiri nani mwanangu"


"Pane munhu wandaona akamira pane
dombo iro aendepi"

"Hooo uri kutaura Chenzira here"

Larry akabva asvika pandiri


achinditora.Ndaizama kufunga kuti munhu
wandaona ndomuzivira kupi.Kungoti aiva
nemazivhudzi akati nyangarara handina
kunyatsa kumuona.

"Makoti waona chii"


"Pane munhu wandaona ndikushaya
ndakambomuona kupi asi pandamuona hana
yangu yarova"

"Wava kupenga chete Ruvimbo pamwe


inyaya yekuti uri kunyanya kundifunga"said
Larry.

Ndakabva ndanyarara takasvika kumapurazi


kuya.Takatsvaga kune dzimba
tikakuwana.Takasvika pane imwe imba
tikabvunza nezva Baba Maka vakati vaisava
ziva.Takafonera Sharo akati tiende paimba iri
pacentre pedzimba dzese.
Takasvika pamba paya panga pane murume
akasimba.Takakumbira mvura akati
haana.Takanzwa kukosora mumba.Tanga
tingori 2 naLarry uyu Tamia akasara naKisha
kumota.

"Okay ndokumbirawo kuratidzwa pamba


pasupervisor wepapurazi pano" said Larry.

"Oooh marasika endai kuroad uko.moramba


muri straight mo...."

"Hazvingaite here kuti tiende tese kuroad


kwacho monyatsa kuti taurira madirection tiri
ikoko" akadaro Larry.
Larry akandipa sign yekuti sara uchipinda
mumba.Ndakapinda zveshuwa hapana
chandakaona ndava kubuda ndakaona imwe
room yakakiyiwa.Manje makeys ekuvhurisa
ndomawanepi.Ndakatora sando yandakaona
iri patable ndikarova rova makey
pakavhura.Ndakaona umwe murume
akazvipeta mucorner.Ndakatarisisa ndikaona
vari baba Maka ivo havana kundiziva.

"Ndauya kukubatsirai ngatibudei" ndakadaro


vakaramba vakagara.

"Please itai zvandataura ndosvikirwa"


Vakasimuka tikabuda takatenderera
ndaisada kusangana nemurume
uya.Takasvika pamota Tamia achiona Baba
Maka akafara zvisingaite.

"Tamia ndiwe ko uyu ndiani"

"Mukadzi wamkoma Larry"

Takamira kwenguva yakareba Larry asati


adzoka.Akazouya achimhanya akasvika
nekumutsa mota.Yakarohwa patakasvika
panzvimbo paya ndakamisa Larry asi
akaramba kumira.Takasvika kumba asi
ndanga ndatomutsamwira.
Tamia akamhanya kubikira baba Maka
chekudya.

"Ko zvakafamba sei kuti muzosvika uko"

"Long story unoziva mukadzi uya wamaiti


Mai Yeu anonzi Stella ndi ex wangu.Haana
hukama naYeu saka ndakatoona kuti pane
chitsotsi chiripo ndosaka Larry wakaona
ndakati tibvise mari shoma.Reason
yavakandibatira vaisada kuti ndikuudze kuti
ndovaziva, madhiri avo aibva adhakwa.Vaida
futi mari yandakasara nayo manje handina
kuvapa.Uko ndakanorarama life inorwadza
ndaimukira kushandiswa pasina
mubhadharo.Larry ndakafira nyaya dzako
but why son uchiita zvinhu usina
kufunga.Ungada kuroora munhu akarambwa
namai vako"

"Moyo wangu ndiwo wakakonzeresa zvese


izvi.Ndinoda mundiregererewo ndicharipa
zvangu mari yamunayo shandisai zvenyu"

"Everything happens for a reason


son.Mukadzi wako uyu mubatisise vashoma
vanhu vakaita sauyu"

Takavaratidza mwana
vakashamisika.Vakaudzwa mafambiro
azvakaita.Vakaenda kunorara but hatina
kumbovaudza zvekudzingwa kwaLarry
kumusha.Larry akanorara ega ini ndikarara
naTamia.Makuseni vakamukira kuenda
kumusha vakati vaida kutanga kusvikira
pamba pana Larry.Ndakafara nekuti vanhu
vemuvillage vachaona kuti vapenyu kwete
zvavo zvekunyepera baba vemwana wangu
zvavasina kuita.Sharo akabva asvikawo.

"Sharon tell me wakaziva sei kuti baba Maka


vari kumapurazi"

"Ndazviona mukabook kaYeu kandakaona


mubag rake"
"Thanks dear wabatsira"

"Ndanga ndauya kukutendei nekundibatsira


kubuda mujeri guys Mwari vakukombererei
pazvese zvamuchaita ini ndava kunogara
kuZambia"

Takambundirana akabva aenda zvake.Nyaya


yanga yasara ndeye tsvimbo.Taifana kuenda
kumaporofita kunobatsirwa nguva iripo.Asi
mupfungwa mangu maisabuda nezvemunhu
wandakaona uya wekunzi Chenzira.
_thanks nemacomments_

*Watch out for chapter 32*


*MOYO WANGU*
_My heart_

https://chat.whatsapp.com/F6nQYkcfO4UFK
bbUCdtrAm

_like our FB page_


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/
*_Written by King Lee_*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562

*Chapter 32*

*Larry*
Ruvimbo naTamia ndinoshaya ndinovatenda
nei nekumira neni.Dai pasina vanhu ava
hameno ndiripi.Baba Maka pavakataura kuti
vakuda kusvikira kumba kwedu zvakaunza
mufaro kwandiri.Atleast vanhu vaizoona kuti
vapenyu zita rangu rikachena.Nyaya
yetsvimbo ndiyo yanga yasara.

Ndakazama kufamba kune mamwe


maporofita vandibatsire panyaya yetsvimbo
iyi asi zvairamba.

"Tamia ndoda kuti uende kumusha


kunotarisa madzibaba Handiriya.Ndichakupa
mari kana variko unovakumbira kuti vauye
kuno ,unoziva situation yangu hazviite
ndiende ikoko kwandakadzingwa"ndakadaro
"Okay mkoma don't worry ndouya navo saka
ndoenda nhasi"

"Ehe unofana kuenda nhasi"

"Zvamaronga zvakanaka but tinofana


kutanga tafona kunzwa kuti variko here
Tamia asati aenda" akadaro Ruvimbo.

Hameno Ruvimbo akafonera ani.Akamboita


kanguva ari pafoni.

"Hanzi havako vanodzoka next week.Kana


Gogo vaKisha havako.Kumba kungori
naSekuru vaKisha chete"said Ruvimbo.

Ndakatoona kuti kumirira Madzibaba


Handiriya ndobest way.Ruvimbo akatora
bible akati ngatinamate timbotenda Mwari
nekutibatsira kwavari kuita.Takapfugama
tikanamata patakapedza Ruvimbo akaenda
kunobika.

"Mkoma kusangonditenda henyu pababe iro


ndakakugonerei ndakazviona morida" said
Tamia achiseka.
"Yaa apo wakagona mupfana mira
ndichakutengera something.Munhu uyu
ndaimuda kubva kare but ndaisazviona asi
wakabhaiza pachinhu 1 pakusandiudza kuti
ane nhumbu yangu.Unoziva dai wakataura
nguva iripo ndisina kuzomborara
naDeviya.Yeu ndingadai ndakatomusiya futi"

"Haaa handina kubhaiza dai ndakakuudza


Yeu aizvinzwa akakuvadza Rue nhumbu
ikabva.Chandaida kuti Rue ave safe"

"Ndaisaziva kuti wakangwara kudai"

"Ruvimbo akatambura big time yava time


yekuti achifarawo please bro.Mumuitirewo
something chihombe pabirthday rake"said
Tamia.

"Ririko rini"

"Next month"

Ndakafunga kuti ndoitira chii mudiwa


wangu.Ndakafunga something ndikatanga
kunyemwerera.

"Mafungei"

"Uchazoona hako unoziva pa ndoona


kamwana kangu ndonzwa kufara"

"Ndozviona hangu kuti kakaunza


mufaro.Kamwana ikako ndiko kaita muve
pamwe chete naRue dai kasipo tiri kutotaura
zvimwe"

"Yaaa uri correct kunyanya iwewe


wakaplayer role hombe"

Tamia akabva aenda kunobatsira


Ruvimbo.Ndakasara ndichifunga
zvandakasangana nazvo.Ndakafunga day
randakarova Rita mbama.Ndakatadza
izvozvi ari muchipatara nekuda
kwangu.Chikafu chakauyiwa nacho pfungwa
dziri kure.

"Baba Kisha mafungei"

"Ndiri kuzvituka Ruvimbo.Ndafunga zuva


randakarova Rita anditsiura.Mwana wamai
vangu aishuwira zvakanakawo kwandiri
izvozvi ari pacoma nekuda kwangu"

"Kana wava kuona kuti wakatadza


zvakanaka.Isu ngatinamatire vamuke tete
vowakumbira ruregerero" said Ruvimbo.

"Okay Mai Kisha ndatoguta"


"Waguta wadya chii"

"Unoda ndidye mwana wamai vangu ari


pacoma here"

"Saka ukasadya ndiko kuti abve pacomma


here.Tidyirei apo"said Rue.

Tamia akatanga kuseka hake.Ndakazodya


chikafu chiya aigona kubika.Ruvimbo ainyara
kudya ndakamutarisa.Ndakatanga kuita
zvekumupakisa achinyara.Takapedza kudya
tikagadzirira kuenda kuchipatara.Takasvika
kuchipatara Mai vangu varipo vachitaura
naRita anga amuka.

"Makoti wangu" said Rita achitaura low low.

"Wauya kupedzisa mwana wangu here"said


mhamha vachireva ini.

"Tamia naRuvimbo chimbondiudzai muri


kuside ripi" vakadaro futi.

"Ini ndagara ndiri side raLarry.Handirambe


mkoma vangu nekuda kwezvinhu zvisina
basa" said Tamia.Asi Ruvimbo akaramba
akanyarara.
"Tamia ndinokurova zvinhu zvisina basa zvipi
zvauri kutaura.Sis vako ava vakapotsa vafa
nekuda kwaLarry"

"Ko Baba Maka hamuna kuvaona here


vamaiti vakauraiwa naLarry.Handitereri
zvinhu zvandoziva kuti ndezvekunyepa
mhamha munofana kumira nemwana wenyu
kwete ku...."

Tamia akabva apihwa mbama namhamha


akabva abuda.Ndakabudawo Ruvimbo
akabva andibata.

"Kana Larry ava kubuda neniwo


ndakubuda.Gogo vaKisha pasi pano tese tiri
vatadzi.Hatifadze Mwari nguva dzese pamwe
tinotadza nekusaziva pamwe tinotadza
nekuziva.Ngativei nemoyo wekuregerera
muri kuomesera mwana wenyu.Hongu
akatadza handirambe asi haana ropa
mumaoko ake"

"Izvozvi Mai Maka nehama havachadi


kundiona nekuda kwaLarry wauri
kupupurira.Ruvimbo kana wava kuenda
kuside kwaLarry tapesana"

"Larry ndiBaba vemwana wangu ndinofana


kutomira navo.Larry haana ropa mhamha
munogona kusazvinzwisisa pari zvino asi
mukufamba kwenguva muchazvinzwisisa"
"Ruvimbo ndakakuchengeta une nhumbu
nhasi wava kundiita benzi uchinyepera kuda
kunditsiura.Iwewe ndiwe wakuziva kupfuura
inini manje.Unoziva vana vangu kundipfuura
ndizvo zvauri kuzama kuda kundiudza
nhai.Iri bhoo chienda naLarry musadzoke futi
musanditsvage"

Ruvimbo akatanga kuchema


ndakamutora.Takabuda panze ndikaona
Tamia akagara pazvimabench.

"Mhamha vanditsamwira Mwari ndiregererei


ndatadza kutaura nevamwene vangu
zvakanaka"
"Mai kikie hapana chawatadza gogo vaKisha
vane problem yekusanzwisisa
vanongotungamidza hasha"said Tamia.

"No Tamia ndaifana kunga ndanyarara


ndabhaiza"

Chandakafarira Ruvimbo kumira neni.Ari


kunyatsa kuziva kuti handina ropa mumaoko
angu.Ndaishaya mai vangu vapindwa nei
kusanzwisisa.Mhamha vairatidza kuti havana
kuona Baba Maka.
Takaenda kumba pasina aitaura
neumwe.Ndainyatsa kuona Ruvimbo haana
mufaro.

"Ruvimbo "

"Larry"

"Sorry wakupinda busy nekuda kwenya...."

"No Larry ndiri kushaya ndoudza mhamha


sei kuti hauna ropa mumaoko.Nyaya
yavakakuvengera vakufunga une ropa
mumaoko"
"Ruvimbo haukwanise kumanikidza munhu
kuti anzwisise.Iwewe pako wapedza
vachazonzwisisa mukufamba
kwenguva.Handifari kukuona wakatsamwa"

"Okay handina kutsamwira mhamha ini"said


Rue.

"Saka wakatsamwira ani"

"Iwewe"

"Ndaita sei babe"


"Paya ndakakuti misa ukaramba"

"Wakambooneiko panzvimbo iya".

"Munhu iyeye face yake haisi nyowani.Aiva


ane mazivhudzi but hana yangu yakarova
pandakamuona.Larry unoziva hana yangu
hairovi pasina.Iwewe day rawakasungwa
hana yangu yakarova ndisati
ndatombozvinzwa"

"Mukadzi here munhu wacho"


"Handichazive ini I think mukadzi"

"Ko pawakataura namai vaya vakati anonzi


ani munhu wacho" ndakabvunza.

"Hanzi Chenzira"

"Chenzira izita here Ruvimbo"

"Ndizvo zvavakandiudza iwewe ndipo


pawakauya kunditora"

"Ruvimbo ndichatsvaga zuva rekuti tiende


kunzvimbo iyoyo don't worry" ndakadaro.
Pakapera mazuva matatu tiri
pamba.Ndakanzwa Ruvimbo achi screamer
ari muroom make.Ndakapinda mumba
ndikaona hezvo nyoka yaienda panga pane
mwana.Ndakabvisa bhutsu ndikaitema
ikabva yachinja kuita tsvimbo.Ruvimbo
akatora mwana wake akabuda asina
chaataura.Ndakasara ndakangotarisa
tsvimbo iyi.Ndakatoona kuti ndikagara
netsvimbo iyi pamba pane aizorumwa chete.

Ndaitya kuinhonga ndakazvisimbisa


ndikabva ndabuda nayo.Ndakafunga kuda
kuipisa asi moyo wangu wakarambirana
nazvo.Ndakaisa tsvimbo iyi muroom rekunze
ndikabva ndakiya.Ndakadzoka mumba Rue
akangobata mwana wake.

"Larry tsvaga number dzamadzibaba


Handiriya next week kwaita kure" said
Ruvimbo.

"Kwekudziwana ndiko ma1.But moms


vanadzo hameno ndopihwa sei havasi kuda
kundiona"

"Okay mira ndifonere vamwe madzimai


vataipinda navo vanogona vanadzo"

Ruvimbo akafona akapihwa number


dzamadzibaba ndakafara.Takafonera
number dziya dzikaramba takangoti pamwe
vari busy.Takazama futi manheru
dzikaramba.Kana chikafu chemanheru
chakaramba kudzika.Ndakarara ndakarinda
mwana wangu ndaitya kuti nyoka iyi inogona
kudzoka asi haina kudzoka.Makuseni
Ruvimbo akandimutsa kuti
tinamate.Takanamata ndikabva ndarara
nekuti manheru handina kunyatsa
kurara.Ndakaita kanguva ndakarara
ndikamutswa naRuvimbo.

"Baba Kikie mukai mune vaenzi"

"Vaenzi vapi"
"Mukai muvaone" akadaro achibuda.

Ndakamuka ndikageza kumeso kwangu


ndikachinja hembe.Pandakaenda kudinning
ndakashamisika nevanhu
vandakaona.Ndakatoshaya kuti vaida chii
kwandiri.....

*Thanks nemacomments*

Watch out for chapter 33


*MOYO WANGU*
_My heart_

https://chat.whatsapp.com/F6nQYkcfO4UFK
bbUCdtrAm
_like our FB page_
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

*_Written by King Lee_*


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562
*Chapter 33*

*Larry*

Ndakashamisika ndichiona Deviya natete


vake vakagara mudinning.Ndakatoziva kuti
hakuna chakanaka chete Deviya atouyiwa
naye kuti agare pano.Inga Deviya
ndakamubudira pachena kuti handimude
saka ari kudei kwandiri.Ndakazobviswa
mundangariro naTamia akandibata.

"Mkoma garai pasofa apo"said Tamia


ndakaita sekudaro.Ndakakwazisa Tete
vaDeviya asi havana kudaira vairatidza kuti
vakagumbuka.

"Larry haungarambi Deviya like


that.Wakarara naye akabata pamuviri
pakabva nekuda kwako.Hauchamudi nekuti
nhumbu yakabva right"

"No haisiyo nyaya yacho.Deviya haana


kukuudzai here zvandakamuudza"
ndakadaro ndakatarisa Deviya anga
akatsikitira pasi.

"Larry zvawakutaura izvo hazvina basa.Kana


usingachadi Deviya unonoripa
wakakuvadzisa mwana wedu"

"Ndazvinzwa but hamuna kupindura


zvandabvunza ndati Deviya akakuudzai here
zvandakamuudza"

"Haana kutaura inyaya yei taura iwewe


tinzwe" said tete vaDeviya.

"Deviya ngakuudzei zvandakataura"

"Deviya taura tinzwe inyaya yei"

"Tete hazvina musoro.Ruvimbo akanditorera


mkomana wangu.Larry ndomuda kubva kare
asi Rue akaita godo akandipa mabad advise
kuti ndisayane naLarry"

"Deviya taura zvandakataura"

"Iwewe taura hanty ndiwe wakazvitaura here"


said Deviya.

"Tete mirai ndikuudzei.Deviya akandiramba


madays aindaimuda
akandinyadzisa.Ndakatomboita madays
ndichirwadziwa kusvika
ndazvikanganwa.Deviya pandakarara naye
ndaida kuona ndozvara here chokwadi
chaicho handina mafeelings naye.Munoziva
sei ndakaenda kwaari ndaiziva haarambe
nekuti ari so cheap.Deviya rudo harudi
kumanikidza.You are still young uchawana
wako anokuda siya izvi zvauri kuda kuita"
ndakadaro.

"Nyaya yekurambana kwenyu ndoblamer


Ruvimbo uyu.Deviya aikuda but this girl
akaita jealous akatoita make sure kuti iwewe
naDeviya musiyane.Larry ndauya kusiya
Deviya pano uri kuona ronda riri padumbu
pake harisati rapora.Iwewe Larry ndiwe
uchauya naDeviya kumba kwavo woripa
kukuvadza kwawakaita mwana wedu.Haasi
kurara achirwadziwa uyu.Zvekuti unoda
Ruvimbo handina basa nazvo asi chandoziva
ndechekuti iwewe naRuvimbo
hamuzogarisane kwenguva yakareba wako
chaiye ndiDeviya"

Tete vaDeviya vakabva


vatobuda.Ndakatsikitsira pasi ndapererwa
nezvekuita.Pandiri kuti chapter yaDeviya
yapera iye obva adzoka.Why zvinhu zvangu
zvisiri kufamba.Ndakafunga day mangu
vangu vachiti chese chaucharonga hapana
chichabudirira.Ndakarwadziwa ndakaenda
kunozvivharira muroom mangu
ndikapfugama.

"Lord please forgive me.Ndinoziva


ndakatadza pamberi penyu ndioneiwo
ndagumirwa ndipeiwo pekutangira
Baba.Hapana akachema kwamuri
mukamusiya.Vatumwa vakafamba nevana
ve Israel ngavafambewo neni.Ndatambura
ndakuzvisiya mumaoko enyu" ndainamata
misodzi yakazara pamatama.Kaiva
kekutanga muhupenyu hwangu kunamata
ndichichema.Pandakapedza kunamata
ndakaona Ruvimbo akapfugamawo paside
pangu achichema.

Ndakamusimudza ndikamugarisa
pabed.Deviya akabva apinda nebag rake.

"Deviya unorara munext room " ndakadaro.

"Saka unoda kurara naRuvimbo muno"


"Handirare muno ndorara natete Tamia" said
Rue.

"Better but unofana kutienzanisa tiri vakadzi


vako tese.Ndaisada zvekushare izvi
Ruvimbo ndiwe wakandiuraira rudo rwangu"

Deviya akabuda akaenda munext


room.Ndaifunga kuti achaita
nharo.Ndakataura naRue kuti auye kurara
muroom mangu akarambisisa ndakasiyana
nazvo.Akabuda akaenda kuna Tamia.

Ndakasara ndichifunga kuti Deviya


ndomubvisa sei pamba pangu.Ndaida
kumubvisa zvakangwara.Tete vake vasiya
vati kana usingadi Deviya unouya naye
woripa mhosva dzako vainyatsa kuziva kuti
hapana pandichauya ikoko
kwandakadzingwa.Ndakafunga Baba Maka
ndivo vaikwanisa kundibatsira.Ndaizovapa
mari voenda naDeviya kumba kwavo kuti
vanobvuma.

Ndakafona panumber dzababa Maka but


dzaitoramba.Ndakazama dzemukadzi wavo
dzikapinda dzikadairwa.

"Larry"

"Muri sei moms.Baba Maka vakasvika here"


"Ehe ndiri kufara mwanangu.Sorry
nekukutuka kwandakaita ndaifunga zvisizvo
ndakaudzwa nyaya yese naBaba
Maka.Ndinoda kutenda musikana wako
Ruvimbo akaplayer big role pakusaver
murume wangu.Ndichamupa mbudzi hadzi"

"Wow that's great mom"

Ndakabva ndakata ndakaona kuti ndikataura


nyaya yangu kwavari direct vaizofungira
ndakuda kunyudza futi murume
wavo.Vakabva vafona variwo.
"Ndakanganwa kukutenda mari yawakapa
Baba Maka.Mufaro wandinawo wakanyanya
zviya zvekuti wakaromba manyepo
ayo.Mwari vakukomborere my son zvese
zvaucharonga zvibudirire.Undipe number
dzaRuvimbo ndoda kutaura naye"

Vakabva vakata ndakavasendera number


dzaRuvimbo.Ndakanzwa kufara kuti atleast
vavakunzwisisawo.Vasara vabereki vangu
kungoti mudhara handina kubvira ndataura
naye handizive kuti ari kufungei but obvious
anotevedza zviri kuita mhamha.

Ndakabuda pamba ndisina wandataura


naye.Ndakaenda kuchipatara
ndakadongerera muward maiva naRita
ndikaona asimo.Ndakubuda ndakasangana
naye ari pawheelchair.

"Sis vangu"

"Mwana wamai wangu uri sei" akadaro Rita


ndaifunga akanditsamwira.

"Am not ok ndakusuwa big time chamhamha"

"Ari sei mwana wedu naMakoti wangu sei


usina kuuya naye"
"Vari bhoo ava.Aah ndauya kuno ndisina
kuvaudza"

"Okay handei panze tinotaura"

Ndakapusher wheelchair yake tikaenda


panze pasi peumwe muti
paitonhorera.Ndakaudza Rita everything
zvandakasangana nazvo akayeredza
misodzi.

"Larry handisisina
kukutsamwira.Pandakanzwa zvekuti
wakadzingwa kuvillage ndakachema chero
ndanga ndakakutsamwira.Pese
pandonamata handikukanganwi mwana
wamai vangu" said Rita.

"Rita mhamha vakandi curser hapana chinhu


changu chandoronga chofamba ndaiti
ndatopedza chapter yaDeviya izvozvi adzoka
futi ndagumirwa ini"

"Mhamha vanobhowa havanzwisisi vanenge


vachida kunzi vari right pazvinhu zvese
zvavataura.Asi ukavanzwa vachitsiura
munhu unototi munhu uyu anonzwisisa" said
Rita.

"Haa tatovajaira mhamha ndizvo zvavari.Ko


unobuda rini"
"Manje hazvisi bhoo.Ndichabuda manje
manje kana ndawana mari yekutenga
mishonga.Mhamha vari kutsvaga mari iri
kudhura"

Rita akandiudza mazita emishonga


yaitaurwa.Ndakaoneka naye ndikaenda
kubank ndikatora kamari
kashoma.Ndakaenda kuphamarcy
ndikatenga mishonga yaRita
yese.Ndakanopa Rita mishonga iya.

"Ndaiziva ndiwe unokwanisa kundibatsira


thanks hanzvadzi.Ndikabuda uuye kunditora
ndoda kuuya kumba kwako"
"Umm mhamha hava..."

"Handina basa nazvo vachasara vega kana


vakakuramba vakatoramba neni.Ndiri kuside
kwako please uuye kunditora"

"Mira nditange ndaona doc ndivaratidze


mishonga iyi vandiudze inoshandiswa
sei"ndakadaro.

Ndakapinda mu office madoctor.Anga ari


wezera rechidiki.Akandiudza mashandisiro
aizotwa mishonga akati makuseni mouya
motora munhu wenyu.
"Anyway your sister is very beautiful dai
asina kuroorwa ndaitora hangu" said Doctor
Nayaki.

Ndakashaya kuti zvekuroorwa azviwana


kupi.Ndakangonyemwerera ndichibuda
kuenda kwaiva naRita.Doctor Nayaki
vakabva vapinda ndikaona Rita atarisa
pasi.Doc vakatsanangurira Rita zvemishonga
iyi ndakaona kuti hapana chainzwa anga
akatarisa pasi.Doc Nayaki vakabva
vatobuda.

"Asi mozivana here" ndakabvunza.


"No"

Handina kugarisa ndakabva ndabuda


kuenda kumba.Ndakasvika kwasviba
ndakanzwa noise yaiva mumba anga ari
Tamia naDeviya vaitukana.

Ndakangotora Tamia ndikaenda naye


mubedroom mangu.

"Handisi kuda kunzwa manetsana nei asi


chandoziva ndechekuti hausi wrong but
musikana uyo musataura naye ingomusiyai
akadaro"
"Anoonererwa ndambonyarara akusvika
kuchinja channel.Abva kutuka Ruvimbo
manje ini handinyarari ndanyara kumurova
hangu"

"Wagona usina kumurova handifarire kuti


urovane nevanhu.Okay mira ndopedzerana
naye" i said.

"Ko manga maendepi"

"Kunoona sis Rita vachauya pano


mangwana"

Tamia akabva abuda achifara.Ndakaenda


kuroom kwaiva naRue ndikasvika akatorara
zvake misodzi yakaomera pamatama
ndakanzwa hasha.Ndakatoziva ndiDeviya
chete aita Rue achema.Ndakaenda kwaiva
naDeviya.

"Deviya wava kuzofarisa manje.Remember


kuti hausiwe mai vepano hauite
zvaunoda.Dai uri mumwe watobva nekuti
hapana pandichakuda.Ukaramba
uchishungurudza mukadzi wangu unorara
kunze kwegate"

Deviya akaramba
akanyarara.Ndakanosimudza Ruvimbo
ndikamuisa mubedroom mangu.Ndakatora
mwana ndikamuisa mukabed kake.Takarara
tese Rue akapepuka pakati peusiku.

"What ndapinda sei muno"

"Ndini ndakuisa"

"But..."

"No but...ndiyo bedroom yedu"

Ruvimbo akada kutaurisa ndikamunyaradza


nekiss.Akabva adzikama nekubva atorara
zvake.Makuseni ndakaenda kuchipatara
ndikatora Rita.Doctor Nayaki vakakumbira
number dzangu ndikavapa.

"Wavapirei hee" said Rue.

"Zvine basa here nhai"

"Rega ndinyarare"

Takasvika pamba mwana wangu achichema


Deviya akatogara paside kusatoita care
nemwana aichema.Ko ivo Rue naTamia
vasiya mwana vachienda kupi.
"Deviya hausi kuona mwana ari kuchema
here"

"Ndazama kumunyaradza akaramba" said


Deviya.

"Haunyari kunyepa here.Waguta kurarwa


nana Desire ukati regai ndiuye kuna ana
Larry vakapusa vanonditambira"

"Rita dzikama I know wagara wakandivenga


but usapindira panyaya dzangu plizz"said
Deviya.

Kisha kakabva kanyarara pandakakabata.


"Haiwawo mahure monetsa" said Rita.

"Ndiri nani ndiri pamurume.Iwe hauroorwi


busy kuda kunetsana nesu varoora"

Rita akanzwa hasha nemashoko aya.Kana


ini handina kufata nemashoko
aya.Ndakasimudza ruoko ndichida kumurova
Rita akandimisa.

"Tamia budisa mabag emunhu uyu


panze.Munovharwa kunzi kuripwa chii choda
kuripwa iye aiva nemimba yaDesire.Ehe
handina kuroorwa hangu but atleast
ndakadzikama ndasiyana newe wava
gaba"said Rita.

Tamia akamhanya kubudisa zvinhu


zvaDeviya panze.Takaita zvekuzobatirana
Deviya tikamukanda panze.

"Uuye nekatete kako ndikaudza maviri


matatu makajaidzwa hamugoni kushanda
chii chamoda kuripwa nacho.Dai ndisiri
pawheelchair ndaikuswatudza itwo
twumalips kunga mabvi en'anga" akadaro
Rita
_thanks nemacomments_

*Watch out for chapter 34*


*MOYO WANGU*
_My heart_

https://chat.whatsapp.com/F6nQYkcfO4UFK
bbUCdtrAm
_like our FB page_
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/
*_Written by King Lee_*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562

*Chapter 34*

*Larry*
Kubva zvakaenda Deviya pamba pangu
panga pane mufaro.Mai Tamia namoms
vangu vakasvika tiri kuzvifarira.

"Rita wakabuda muchipatara usina


kundiudza sei.Ndaizama kubatanidza mari
yekuti nditenge mishonga yako" said
mhamha.

"Mhamha ndakafona nefoni yaLarry hamuna


kudaira.Larry akanditengera mishonga
yese.Mhamha munoda kusvika rini
makatsamwira mwana wenyu inga moenda
kuchurch wani.Day riya makapopotera
Ruvimbo pasina zvaita kutaura chokwadi
handina kufara nazvo" said Rita.
"Pindai mumba vana mhamha tingataure tiri
panze here" said Ruvimbo.

Mai Tamia ndivo vakatanga kupinda


mhamha vakambosara vakamira.Vakatevera
vachitarisa tarisa imba.Vakagara pasame
sofa naMai Tamia.Ruvimbo akavakwazisa
akabva amhanya mukitchen kunovabikira
something chekudya.

"Mai Rita mashoko ataura Rita ari right.Larry


is your son but akadzingirwa muvillage
zvinhu zvasina kuita"said Mai Tamia.

"Larry ndiudze zvakafamba sei.Ndiri


kusekwa muvillage nekuda kwako ana Mai
Dee vakutondipa mazita nekuda
kwekusadzikama kwako" said mhamha.

Ndakatsanangura kwavari zvese


zvakaitika.Masanganiro andakaita naYeu
nekusiyana kwandakaita naye.Hapana
chandakasiya ndakaona varamba
vakanditarisa.

"Saka why usina kundiudza zvese izvi


kumashure uko"

"Mhamha hamuna kubvira mandipa chance


yekuti nditaure" ndakadaro.
"Mai Dee ndivo vakaplayer part yekuti
udzingwe muvillage.Vakatanga kufambisa
rumour yekuti ndiwe wakauraya Madzibaba
Pita.Pavakangodaro vanhu vakabva vatoti
ichokwadi Larry ngadzingwe.Larry
ndaisamboda zvese zviitike"said mhamha.

Ruvimbo akabva auya nechikafu munhu


wese akadya.Patakapedza kudya
tikapedzisa nyaya iya.

"Vanhu pavakaona Baba Maka vachisvika


muvillage vakatiza vachiti vaona
chipoko.Nyaya yacho ikatombosvika
kudare.Baba Maka vakataura zvakaitika
kudare.Madzibaba Handiriya vakasvikawo
vachiti makadzinga munhu asiriye.Pakutaura
kwavo vanoratidza kuti pane munhu anofana
kudzingwa ari kuita mabasa erima" said
mhamha.

Mhamha pavakataura izvi ndakanzwa


kurerukirwa pamoyo pangu.Mhamha
vakabva vabata Kisha mumaoko avo.

"Larry unofana kuenda kumusangano uri


kuitwa kuno Madzibaba Handiriya vanenge
varipo"

"Uriko rini"
"Next week"

"Okay ndoenda ndagara ndiri kuda kuvaona


madzibaba"

"My son sorry nemashoko andakataura


kwauri dzaiva hasha pl ..."

"No mhamha zvakatopera ndini ndofana


kukumbira ruregerero nekufamba nenzira
isiriyo"

"I hope wadzidza mwanangu.Ruvimbo


ndofarira ka spirit kako wakamira nemwana
wangu waiva nekutenda kuti Larry haana
ropa mumaoko.I love you muroora
wangu.Larry handina umwe musikana
wandichatambira semuroora wangu kunze
kwaRuvimbo"

"Yaaa ndakadzidza mhamha mirira nguva


yaMwari ichakwana kwete kumhanya kuita
zvinhu nguva yababa isati yakwana.Kana
uchitsiurwa bvuma kutsiurika.Dai
ndakabvuma kutsiurika ndisina
kumbopindana nezvese izvo.Kana munhu
achikutsiura anenge achiziva kuti zvauri kuita
hazviite iwe nyakutsiurwa usada kunzi ndiri
right." ndakadaro

Zuva iri rakapera richinakidza everyone


aifara.Ndakambofunga kutoita kari kaparty
ndikazoona kuti ndinenge ndabhaiza
handisati ndapedza nyaya dzangu.Nyoka iya
inogona kubuda tiri kufara ikaruma
munhu.Mai vangu vanga vachitaura
naRuvimbo kamwana karara pamakumbo
avo.Ndakavatora pic vakavarairwa ndikaisa
pastatus.Phone yangu yakabva yaringer
ndikaona dzaiva new number.

"Hello ndiani"

"I'm Dr Gerrald Nayaki.Ndanga ndichida


kuziva kuti Rita ava sei"

"Ari nani hake"


"Okay thanks.Make sure munomupa
mushonga wake every day musajambe zuva
kusvika wapera"

Vakabva vatokata Dr Nayaki ava asi vakuda


hanzvadzi yangu or itsitsi.Ndakasiyana
nazvo ndikapinda mumba ndakatarisa
Rita.Ndakaona aifara zvisingaite.

*Ruvimbo*
Ndaisada zvekushare bedroom naLarry but
munhu wacho aiva nenharo hanzi ndoda
kurara nemwana wangu.Larry ndomuda
nemoyo wangu wese but ndaida tizoshare
bedroom kana tichinge taroorana.

"Ruvimbo asi ndotyisa here"

"Ndambodaro here ini"

"Ehe wadaro"

"Haunyari kunyepa ndadaro nguvai"


"Izvozvi face yako ndiyo iri kutaura kuti
ukunditya"

"No Larry handisi kutya but you know


handisati ndamboshare room nemunhurume"

"Kubva pakauya Deviya wanga wakurara


muno wani, now wakutya nekuti vana
mhamha vauya.I can see kuti ukunyara vana
moms"

"Aaah handisi kunyara"

"Uri kunyara Mai Kikie don't worry nyaya idzi


dzichipera ndonobvisira kumba kwenyu
tobva tarova kari kamuchato"

Handina kuda kumuratidza kuti ndakafarira


zvakataura.Ndakafunga gumbezi ndikatanga
kunyemwerera ndirimo.Ndakaona ndabviswa
gumbezi riya.

"Ndikuzviona wafara chero usina


kundiratidza but ndatozviona" said Larry.

"Ndakuda kurara iwe"

"Iwe ani"
"Daddy vaKisha"

"Yes ndokutaura"

Larry akabva atanga kundikisa achindipuriza


dumbu rangu.Ndanga ndakunzwa zvinhu
akabva andisiya apa ndanga ndakunzwa
kuda.Ndakasvotwa ndikabva
ndatorara.Ndakamukira kucleaner mumba
vamwe vese vakazomuka ndatopedza.Kisha
kakagezeswa nagogo vake.

"Ruvimbo uri kufana kuenda kumusha


kunoona mai vako.Vari kuda kukuona" said
Gogo vaKisha.
"Havadi kundiona vakanditsamwira"

"Mai havatsamwe kwenguva yakareba.Enda


unovaona please ndikukumbira muroora"

"Okay regai ndirongedze ndiende nhasi"

Rwendo rwekuenda kuna Chenzira


wandakaona uya rwatokona.Ndakazviudza
ndaifana kukurumidza kudzoka ndizoona
munhu uyu chete.Ndakapedza kurongedza
Larry akapinda achiona ndakabata bag.

"Wava kuendepi"
"Ndamuti aende kunoona mai
vake.Achadzoka don't worry" said mhamha.

Larry aisada ndiende, akandibata ruoko


akaenda neni mubedroom.Akasvika
kundibata muwaist akandiswededza pedyo
naye tikabva tatarisana mumaziso.

"Ruvimbo I love you.Please unditorerwa


nekuti ndiwe zvese zvangu"

"I love you too baba Kikie.Ndiwe wega uri


pamoyo pangu handimbotorwi"
Ndakafambisa muromo wangu ndikanoguma
wake.Takabva tatanga kukisana
takazosiyana tanzwa knock
padoor.Ndakavhura ndikaona ari
Tamia.Akandipa foni yangu yanga ichi ringer.

"Ruvimbo tichaenda tese mutown ndotsvaga


mota inokusvita kumusha"

"Ndokwira makombi aya"

"No"
Takabva tabuda tese akatsvaga mota
zveshuwa.Akatenga grocery rakawanda
rikazara mumota.Akabva andipa neimwe
mari futi.Ndakamutenda mota yakarohwa
ndakasvika kumusha masikati.Yakandisvitsa
pamba pedu chaipo ndakaona Rutendo
kakagara panze kachishaya kuti imota
yaani.Ndakatanga kuzvituka nekuti
pandakambouya handina kuvaratidzawo
mwana.Kungoti ndanga ndine stress
nenyaya dzaLarry.Pandakabuda mumota
Rutendo kakandijambira

"Sis vangu vauya yeeeee"

"Uri sei Rutendo"


"Handisi bhoo hamuna kuuya
kumbotoratidzawo mwana wenyu"

"Ndosaka ndauya mwana wamai"

Driver akadzikisa zvinhu zvese zvaiva


mumota.Ndakatoziva kuti abhadharwa chete
kuti adzikise Larry futi so.Mota yakabva
yatoenda.

"Zvinhu zvaani zvese izvi" akabvunza


Rutendo.

"Ndezvenyu namhamha asi hamuzvide here"


"Pamatenga mapack emazep apo magona"

"Ko mhamha varipi nhai"

"Vari kugarden vanodzoka manje manje"

Kupinda mumba mandakadzingwa


zvakandiremera.Ndakamirira kuti ivo
mhamha vauye.Vachindiona vanoyeredza
misodzi.Kana ini ndakatanga kuchema
ndakavatarisa vanga vaonda mai vangu.

Takambundirana namai vangu.Vakatora


mwana wangu vakabva vamutarisa.

"Akafanana naRita"

"Ngatione mhamha" said Rutendo vakabva


vamuratidza.

"But hazvisi fair ndaida afanane neni"said


Rutendo.

Takapinda mumba namai vangu


ndikavaudza everything.Ndakashamisika
vachiti vaizviziva vakaudzwa naMai Larry.
"Sorry nekukudzinga ndisina kunzwa side
rako mwanangu"

"Zvakatopera mhamha ko mukuonda nei"

"Ndakamborwara mwanangu izvozvi ndava


bhoo.Ko zvinhu zvaani izvi asi ukuda
kuvhura shop"

"Ndezvenyu mhamha"

Mhamha vakabudisa misodzi yemufaro


vakanditenda.Ndine mari yandanga ndinayo
ndakafunga kuvatengera bhutsu pamwe
chete naRutendo.Ndakavasiya vane
muzukuru wavo ndikaenda kumashops
ndikatenga 2 pairs dzamhamha nedza
Rutendo wacho.Ndakatengera Rutendo futi
mapants ndakaona anga asisina.

"Muporofita uyo ndewe nhema ndiri kuona


maths dzake akuda kuzama kudzosa Larry
muvillage muno" ndakanzwa voice iri
nechapa corner peshop yandaiva.

"Anofana kubva muvillage muno anoda


kuzviita kunga ndiye Jesu.I hate that man
ndiye akaita musikana wangu andirambe
aporofita zvenhema" rakadaro rimwe voice.
"Ndine plan yekuti abve muno even moms
vangu havatomufarire.Ndinoda kuronga deal
naAmanda aende kuno seducer muporofita
uyu obvious achadyira then Amanda
odaidzira sekunga akuda kurepwa vanhu
vobva vasvika" rakadaro voice randakaziva
kuti ndera Desire.

Handina kuziva zita remuporofita


waitaurwa.Kuti angava madzibaba Handiriyo
but no.Ndakasiyana nazvo ndikaenda kumba
naRutendo.

_drop.your comments_
*Watch out for chapter 35*
*MOYO WANGU*
_My heart_

_like our FB page_


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

*_Written by King Lee_*


~LeeMarzy~
+263774206587
_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562

*Chapter 35*

*Larry*

"Musangano uri kuitwa mangwana tose


toenda hapana anosara"said mhamha.
"But Ruvimbo haapo ndaida vanamatirwe
pamwe chete nemwana" ndakadaro

"Vachanamatirwa mwanangu izvozvi tiri kuda


kutanga tambogadzirisa nyaya dzako idzi
first"

"Larry wakaratidza kufunga pawakavaka


imba ino" vaiva Mai Tamia.

"Taurai henyu ndiri kunzwa kufara.Kana


kuroora now zvoita wava nepekugara pako
asi ziva Ruvimbo ndiye muroora wangu
ukaenda kunonhonga futi mahure ako
topesana" said mhamha.
"Ruvimbo ndiye wandinoda nyaya idzi
dzikapera ndomuroora tobva taita
nemuchato"

"Ko Rita zvakamira sei handisati


ndambonzwa uchitaura zvemkomana wako
uri kufungei uri kukura iwe hatidi muzotinetsa
muchiti ndinamatireiwo ndoda mkomana
anondiroorawo imi muri busy kuramba
vakomana vacho" vakadaro Mai Tamia
vachiseka.

Rita akangotarisa pasi achinyara nyara


ndakatoziva hangu kuti mkomana anenge
ava naye asi ari kunyara kutaura.Mhamha
vakangotarisa Rita vakanyarara.
"Ndichazokuudzai kana nguva yakwana"
ndozvakataura Rita.

"Tinenge tichida kuziva toda kuona anoita


here" said Mai Tamia.

Ndakabuda ndikavasiya vachitaura


nyaya.Tamia akanditevera achindipa foni.

"Ndiani"

"Mai Kikie" she said ndakabva ndarangarira


kuti yangu foni ndanga ndaisa paflight
mode.Ndakatambira foni yacho.

"My wife how are you"

"Handisi bhoo ini"

"Chiii futi sweetheart" ndakabvunza.

"Ndakusuwa apa wakandidzimira foni"

"Eish kana neni ndakusuwa big time.Ndanga


ndisina kudzima ini ko ari sei mwana wedu"
"Ari bhoo uyu ufarise vana mhamha vangu
ndaida kungonzwa voice renyu daddy
ndanga ndarisuwa"

Akabva akata ndakanzwa kufara kuti munhu


uyu anondida.Ndaifana kumubatisisa nekuti
vanhu vakadai havanikwe zvekumhanya.

"Mafara ka next time musaisa paflight mode


anozofunga mukumudzimira foni" said
Tamia.

Ndakaenda mutown naTamia ndikaita


madhiri angu.Ndaisada kuita Tamia aripo but
ndanga ndisina option.

"Usaudza anyone zvedhiri iri"

"Why mukuti ndisaudza anyone asi mukuda


kuzviitira umwe munhu asiri Ruvimbo"

"No uchazoziva kana nguva yakwana"

Tamia haana kumbonetsa hake.Ndakasiya


ndagadzirisa zvinhu zvangu tikaenda kumba
kwava kusviba.Kuchiedza vanhu takamukira
kuenda kuchurch kumusangano.Vanhu
vekumusha vana Madzibaba Handiriya vaiva
vatoripo.Zvinoitwa zvakaita yakazosvika
nguva yekunamatira vanhu.Vanhu vese
vakanamatirwa vamwe vachiporofitwa asi ini
handina kumboporofitwawo.Madzibaba
Handiriya vakangondinamatira chete hapana
zvavakataura.

Ndakaenda kunogara kumashure sezvo


vanhu vakawanda vaibatsirwa.Ndakangoti
ndichavaona vapedza kubatsira vanhu.

"Madzibaba Larry huyai netsvimbo yenyu


kumberi" vakadaro Madzibaba Handiriya
vakatarisa kumabvazuva.
Ndakatora tsvimbo iya ndikaenda nayo
kumberi.Vakatora mvura vakaidira.

"Panopera musangano muchabva pano


muchiendesa kwamakatora tsvimbo
iyi.Munafana kuisvitsa mumaoko edangwe
remunhu akakupai tsvimbo iyoyo"

"Ndoziva sei kuti uyu ndiye dangwe"

"Mwari vanenge vanemi madzibaba


musatya.Munongomuti ndauya netsvimbo
yababa vako achaitambira nekuti ari
kutoitsvagawo"said madzibaba Handiriya.
Mhamha vakabva vashevedzwa pandaiva.

"Amai ndaona mufaro wadzoka mumba


menyu.Rambai muchinyengetera nguva
dzose" vakadaro Madzibaba.

"Madzimai Rita tevedzai zviri kukudzai moyo


wenyu.Mukangoramba munhu iyeye
maramba makomborero.Madzimai Tamiya
munofana kunyengetera zvakasimba nekuti
basa ramunoda kuzoita rine hondo
dzakanyanya asi muchakunda kana
mukanyengetera" ndomashoko akapedzisira
kutaura madzibaba Handiriya kwatiri.
Ndakashaya kuti munhu airambwa naRita
ndiani.Ndakafungira Dr Nayaki.Tamia anoda
kuitirei basa riri dangerous achatipinzisawo
pama1.Musangano wakaita mazuva
matatu.Ndakasimuka kuenda kumba
kwaSekuru Urimbo.Ndakasvika pangori
nevana vavo vaviri but chakandinetsa kuziva
kuti first born ndiani.

"Iwe wadzoka futi takakuudzai kuti munhu


waunofa hapasisina" akadaro umwe wacho
aiva musikana.

"Asi ndiwe first born kani wakangwarira"

"Handisini first born ndiri wechitatu"


"Saka first born iripi ndiani"

"Why wabvunza izvozvo"

"Ndine zvandikuda kutaura naye


zvakakosha"

"Hooo manje haapo anobatika manheru


anonzi Simba.Kana muchida kumuona
motomumirira"

Ndakamirira kusvika kasviba akazouya


akadhakwavo zvake.Ndakazama kutaura
naye ndikaona hapana zvazvaibatsira
akadhakwa.Musikana aivapo ndiye
wandakaona ainzwisisa akandipa pekurara
akati hazvisi safe kufamba
manheru.Makuseni ndakamukira musikana
uya akamutsa mukoma vake.Ndakatarisa
chiso chemukoma wacho ndikaona kufanana
naSekuru Urimbo.Pandakambouya ndichida
kudzosa tsvimbo aisavapo paiva nemudiki
wacho.

"Ndokubatsira nei"

"Ndauya netsvimbo iyi"

Akabva aramba akatarisa tsvimbo iyi.Mudiki


wacho akabva atanga kutaurisa.

"Wakapihwa tsvimbo iyi wakuda kuidzosa


kwatiri kuti zviite sei.Pawakaipihwa
makawirirana kuti chii" akadaro mudiki
wacho.

Mukuru wacho akabva abata tsvimbo


iya.Maoko ake akatanga kugwinha akaibata.

"Wagona ndanga ndichiitsvaga tsvimbo iyoyi


izvozvi ndakukwanisa kuita basa rakasiiwa
nababa vangu"

Ndichinzwa izvi ndakafara ndakabva


ndatorova pasi.Ndakaenda kumba
ndichisvika tete vaDeviya vari pamba
pangu.Vaiva naDeniva mukoma
vaDeviya.Ndichingopinda padoor Deniva
akabva andibata colla.

"Hautonzwi kunyarawo here


iwewe.Hanzvadzi yangu yakakuvara iri
mumaoko ako.Tete vakauya naye pano
vakataura newe ndaiti uchanzwisisa wakuda
titaurirane tichirovana here ukuziva here
Deviya ari muchipatara kutaura kudai nekuda
kwako"

"Hey hey hasha hadzi meke sense"


ndakadaro.
Akabva andipusha ndikadonha
pasi.Ndakanzwa hasha munhu haangouye
pamba pangu oita zvanoda
neni.Ndakasimuka ndakuda kumurova Tamia
akabva andibata.Akanditora akanogara neni
pasofa.Mhamha vanga vari zii zvavo.

"Imimi tete vaDeviya muri kuti Larry ndiye


akabaya Deviya here"

"Akabaiwa ari mumaoko ani" akapindura


Deniva.

"Izvo hazvina kana basa Deniva.Mukaenda


kujeri kuna Yeu mukanobvunza anoti Deviya
ndiye akatanga kumurwisa ava kukurirwa
akatora banga.Mwana wenyu ndiye aiva atori
wrong plus mimba yaanga anayo haisi
yaLarry nekuti Deviya ndaiziva achidanana
futi naDesire" said Rita.

"Izvo zvawakutaura zvava zvako.Chatiri


kuziva mwana wedu akabaiwa ari mumaoko
aLarry.Zvekuti ndiye or haasiye akabaya
hatinei nazvo munofana kuripa"

"Kana muchida zvekuripwa munotoenda


kufamily yana Yeu nekuti ndiye akamubaya"
said Tamia.
"Tete vaDeviya ndofunga manzwa
zvataurwa.Hanzi Deviya ndiye aida kutobaya
Yeu akazobaiwa ariye.Mwana wenyu atori
nemhosva anofana kutoenda kujeri nekuti
vanhu vakadaro havagarike
navo.Ndokumbirawo muchibuda zvenyu
pano" vakadaro mai vangu.

"Mai Rita dai uri umwe wadzikama.Uri kutora


side revana vako uchiziva vari wrong.Ndiri
kuenda nenyaya kwamambo hamuna
kukodzerawo kugara muvillage family yese
mofana kudzingwa"

"Enda kwamambo kwacho unofunga


ndotya.Munorwadziwa nekubudirira
kwemwana wangu munoti handizvioni here
enda" vakadaro mai vangu.

Deniva naTete vake vakabva


vatobuda.Ndakazoudzawo vamwe good
news dzetsvimbo but vanga vasina mufaro
nezvanga zvaitwa nehama dzaDeviya.

"Pavari kuenda kwamambo ndichatofonera


Baba Maka naMai Maka vauyewo vachenure
zita rako vavengi vanyare"

Mazuva akafamba mhamha vakanzi vari


kudiwa kumusha.Vakaenda vese ndikasara
ndega pamba.Uyu Ruvimbo ainzi kumusha
haako hameno aripi.Mai vake vaitoti
havazive aripi akangomuka asipo asi zvinhu
zvake zvese zviripo kusanganisira nefoni
yake.Simba rekuti ndidzoke ndanga ndisina
ndakapindwa nechando nguva diki
diki.Mukadzi wangu nemwana wangu
varipi.Ndakafonera Tamia kumusha ikoko
ndikamuudza atsvage Ruvimbo naKisha....

*Thanks nemacomments*

Watch out for chapter 36


*MOYO WANGU*
_My heart_

_like our FB page_


https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

*_Written by King Lee_*


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562
*Chapter 36*

*Ruvimbo*

Ndakasangana naAmanda akapfeka rimwe


dress raiva rakabata muviri wake riri diki
futi.Ndakabva ndatoziva kuti ari kuenda kuno
seducer muporofita airehwa
naDesire.Ndakaramba ndakamutarisa
ndikaona ava kuenda kumba
kwaHandiriya.Ndakateverako ndikasvika
kumira pagate.Iye akanoka padoor hapana
akadaira pairatidza kuti hapana munhu.
"Iwewe haunyari unobvuma kushandiswa
sei.Nemanakiro awakaita aya woitiswa
zvinhu zvisina basa" ndakadaro.

"Ukurevei kana uchidaro ndaida kuona


mukadzi waMadzibaba Handiriya saka
ndashandiswa papi"

"I know everything uye ndine evidence


ndikaenda kunotaura kwasabhuku unopinda
busy iwe" ndakadaro zvekuti ndine evidence
kwaiva kumutyisidzira chete.

"Aaah usataura kani ngatitaurirane


ndokupawo mari pliz"
"Dzosa mari yawapihwa Amanda.Ndokuziva
uri munhu kwaye usabvuma kushandiswa
uchida basa unotaura neni ndokutsvagira link
rekuti uwane basa kwete izvi.Mai vako
vakanzwa kuti ukuita izvi vanofara here"

"Okay thanks Ruvimbo rega ndidzose mari


yacho"

Amanda akabva atoenda ndakuenda kumba


ndakasangana namadzibaba vaine mukadzi
wavo.Ndakaenda pamba pavo ndaitaura
nemukadzi wavo.Ndakabva ndaoneka ndava
kuenda madzibaba vakandimisa.
"Tsvagai munhu iyeye kuonekwa kwake
ndiko kuchaita madzibaba Larry vadzoke
muno" vakadaro Madzibaba Handiriya.

"Munhu upi wacho handisi kunzwisisa"

"Munhu wamuri kufunga kunotsvaga ndiye


wandiri kureva.Musakanganwe kunyengetera
nguva dzose muve nezuva rakanaka"

Ndakabuda ndine confusion


yakanyanya.Munhu upi
wavataura.Ndakasvika kumba ndikambogara
zvangu pasi pemumango ndikazofunga kuti
ndaida kutsvaga Chenzira.Ndiye wavari
kureva here ane chekuita naLarry
here.Pakafona Larry achindiudza zvekuti
akaendesa tsvimbo ndakafara.

Makuseni handina kumbonyatsa kurara


ndichingofunga munhu wandakaona uya
Chenzira.Hana yangu yairova yanga isina
kugadzikana.Ndakamuk makuseni ndikatora
kawallet kangu ndikabuda kuenda
kumabhazi.Ndakazviudza kuti ndaifanirwa
kukurumidza kudzoka.

Ndakapinda mukamwe kahonda fit kaitoenda


kwandaida.Yakarohwa mota ndikafunga
kuda kufonera Larry kuti tisangane ikoko
ndikaona kuti handina foni.Ndakarangarira
kuti ndakaisiya kumba
ndakabhoekana.Yaisava problem nekuti
ndaidzoka zuva rava kuvira.Ndakasvika
panzvimbo iya ndikadzika.

Ndakaona mai vaya vachitengesa mafreezit


sezvo kwapisa.

"Makadiii mhamha"

"Wakasimba here mwanangu"

"Ndakasimba mandiziva here ndakambouya


pano ndikataura nemi"
"Oooh ndaziva ndiwe waibvunza nezva
Chenzira right"

"Yes mhamha ndauya kumuona


mungandiudzawo kwaari izvozvo here"
ndakabvunza.

"Haagari panzvimbo imwe chete ndosaka


akapihwa zita rekuti chenzira ko iwe uri chii
chake" vakabvunza

"Mhamha ifriend yangu ndikuda kumubatsira"


"Haabvume kubatsirwa nemunhu or kutaura
nemunhu anototya vanhu.Ndakazama kuda
kumbomubatsira but haadi.Ndafara pawati
uri friend yake unoziva kune vabereki
here.Vabereki rudzii vanosiya mwana
achitetereka nenyika achidya
zvemubin.Chenzira anoratidza kuti aka
curswa or someone ari kushandisa
mushonga paari achibudirira nekupenga
kwaari kuita" vakadaro mai vaya.

"mhamha please tell me ndingamuwana


kupi"

"Mwanangu hausi kunzwisisa ndati haagari


patsvimbo imwe chete handidi kukunyepera
handizive aripi.But tevedza road iyi
uchitsvaga kune zvimabin bin kunoraswa
marara ndiko kwanonyanya kuda kutambira"

Takabva tapanana mafoni number vainzi Mai


Musuwa.Mwana wangu akatanga kuchema I
think izuva.Mai Musuwa vakandipa
umbrella.Ndakatevedza road ndikaenda
kwairaswa marara kuya ndakamutsvaga asi
handina kumuona.Ndakaswera ndichifamba
handina kumbomuona kusvika ndane nzara
apa pandanga ndiri panga pasina kana
nemashops pakaita pasango.Kuti ndidzoke
kwandabva paiva nemufambo.Ndakafamba
ndikasvika paiva nemashops ndikatenga
sadza rangu ndikadya.
"Mai makamboona umwe munhu anonzi
chenzira ane mazivhudzi ari mupfupi"

"Hooo uri kureva mupengo uyo abva


kupfuura pamabin apo.Haana 5mins apfuura
pano asi ihama yako"

"Yes"

Ndakamhanya kutevedza kwainzi kwaenda


Chenzira wacho.Ndakasvika ndichiona
vamwe vakomana vakabatirana chimwe
chinhu chandisina kuona.Asi ndakanzwa
voice rekuchema kuratidza kuti aiva
musikana akabatwa.Hameno chivindi
chakaita nditevere.Pandakabudikira vakoma
vese vakabva vatiza.Musikana handina
kuona chiso chake asi ndakaziva kuti
ndichenzira.Akasimuka kutizawo ndakaedza
kumumisa asi mhamhanyiro aiita akaoma.

Ndanga ndisisina simba ndanga


ndaneta.Kwanga kwasviba ndikadzoka kuna
mai vandanga ndatengera sadza
ndakakumbira one room yekurara
ndikavabhadhara.Ndakagezesa mwana
wangu nekumuchinja nehembe dzandanga
ndatenga tikabva tarara.

Makuseni ndakamukira kuenda


kwandakaona Chenzira
achitizira.Ndakasvika kumuona akarara pane
mamwe cardbox aiva pedyo
nemabini.Handina kunyatsa kumboona chiso
chake sezvo anga akavharidzirwa
nevhudzi.Ndakafamba kuenda paari
ndikanyatsa kumuona ndakaona ari
Ranisha.Ndakavhunduka ndikanomira
kure.Kuti hachisi chipoko ichi.Ndakafunga
mashoko amadzibaba Handiriya vachiti
*tsvagai munhu iyeye kuonekwa kwake ndiko
kuchaita Larry adzoke muvillage* .Saka
vaitoziva mupenyu nhai ndakatanga
kuchema ndakamutarisa akarara.Apa rimwe
zamu raiva panze.Makumbo acho anga
akazara man'a kana smell yaibva paari
yaisaita.

"Ranisha" ndakadaro.
Akabva amuka achinomira kure akabva
anditarisa achiratidza kutya.Akanochekwa
neglass pagumbo akatanga kubuda ropa
ndakaenda paari ndichida kusunga paibuda
ropa akabva atanga kutiza.Ndakashaya
simba rekumutevera ndakasara
ndichichema.Zvinoreva kuti makore ese aya
Ranisha aingorarama life iyi ko zvakonzerwa
nani.Ndakayamwisa mwana wangu
ndikambogara ndichifunga kuti ndoita sei.

Ndakafunga plan yekutsvaga vakomana


vaizondibatira Ranisha
ndovabhadhara.Ndakaona kuti ndikasadaro
ndaisamugona.Ndakaona vakomana vacho
vakanomubata.Aichema zvainzwisa tsitsi
achizama kuda kurwisa kutiza.Akapindwa
naye muroom mandanga ndakabooker
akabva asungwa maoko
nemakumbo.Ndakavapa mari yavo vakabva
vaenda.Iye Ranisha anga angonditarisa
nemaziso akaita red ndipo pandakanyatsa
kuona kuti anga akafanana namai vake.

Ndakakumbira mai vaya ndikafona pafoni


paLarry yairamba.Ndakazama yaRita futi
ikaramba ndakasvotwa.Ndakazama yaTamia
ikabva yaita.

"Uripi iwewe ndiri kukutsvaga zvinhu azvina


kumira mushe kuno" said Tamia.
"Una Larry here"

"No ndiri kumusha ini uripi".

"Okay huya kuno make sure hapana


someone akuona uchiuya kuno"

Ndakamuudza kwandaiva.Ndakaenda
kunotenga chikafu ndichida kupa
Ranisha.Ndakatanga kuda kumupakisa
akandiruma ruoko.Tamia akabva asvikawo
achiona Ranisha anochema achimumbundira
asi Tamia anobva arumwa muhuro.
"Andirumirei chii chakaitika kuna Ranisha
wamuwana kupiko"

"Uchiri kuziva day riya takauya kunotsvaga


baba Maka ndipo pandakamuona but
ndaisava nesure kuti ndiRanisha.Akarasa
njere uyu apa akutya vanhu ndazama kuda
kumupa chikafu akandiruma"

"Ruvimbo takakupihwa naMwari shuwa


ndoshaya ndokutenda nei dai pasina iwewe
Ranisha asina kumbowanikwa" said Tamia.

"No Tamia tenda Mwari kwete inini.Nguva


ino ndeyekufunga kuti toita sei kuti munhu
adye uye tomugezesa sei tinofana kuenda
naye akachena kwete akashama kudai"

"Asi haachataure here"

"Haana kumbotaura chinhu uyu.Pane mai


vandiudza kuti anotya vanhu haadi
kubatsirwa"

"Ranisha please say something do you still


remember madays aya uchiti tiri matwins
tichiwanzira Ruvimbo uyu" said Tamia
achitaura naRanisha.Iye Rani akabva
anditarisa.

"Haasi kutaura ooh naMwari ndikaziva akaita


izvi kune umwe wangu ndomuuraya" said
Tamia.

"Bvisa pfungwa idzodzo dzakadhakwa


ukauraya maoko ako anobva asviba.Tanga
wafunga usati waita chinhu kwete kuzoita
chinhu chaunozodemba nekuda kwehasha"

"Okay Ruvimbo but ndikamuziva ndoda


kumuponda chete"

"Kumusha uko ndasiya zvinhu zvisina kumira


mushe.Mai Desire vavhura mafaira vachiti
mainini mai Rita nemhuri yavo vese
vanofana kudzingwa vari kukonzera
muvillage musagarika.Nyaya yaRanisha
ndasiya ichinetsa uko yanzi ichapedziswa
mumazuva anotevera iye Larry wacho anzi
anofana kunga aripowo padare ndizvo
zvataura mambo"said Tamia.

Tamia akatanga kutora Ranisha mapictures


zvakandibhowa.

"Saka zviri kukufadza here zvamuri kuita tete


kutora mapics kumunhu akashama kudai"

"Mapictures aya pane pachada kushanda


nekuti hatingaendi kumba naRanisha akadai
makoti.Plan yangu ndaida madzibaba
vamunamatire aite munhu kwaye anogona
kuitiudza zvakaitika" said Tamia.
Ndakafarira idea yake akaratidza
kufunga.Takazama kuda kupa Ranisha
chikafu airatidza kusatoda zvese
izvi.Ndakahire kamota kaitisvitsa kumba
pamba pamadzibaba Handiriya.But kuenda
naye akadai zvaisaita.Ndakaenda kunotenga
hembe nepant pamwe chete bra
racho.Pakumupfekedza takapinda busy
akabva apukunyuka akatiza.Ranisha akabva
adonha ndiko kumubata kwatakazoita
tikamuisa mumota tikarova pasi.

Takasvika pamba pamadzibaba tikabatirana


Ranisha kupinda naye mumba
mavo.Madzibaba nemukadzi wavo
vakapinda busy kumunamatira.Mudzimai
wamadzibaba Pita akabva asvikawo
vakanamatira Ranisha ainetsa hameno aiva
akamboiswa chinhu chakaita sei chekuti
anosvika pakunamatirwa nevanhu vatatu.Mai
Faith vanova mudzimai wamadzibaba pita
vakakusha mvura kumeso kwaRanisha
akabva angodonha ndiye zii akadaro..

Achimuka akapihwa mvura namadzibaba


Handiriya akanwa akatanga kurutsa.Akaita
kanguva achirutsa.Achipedza akatorwa
akaendwa naye kubathroom nemadzimai
maviri ava.Takasara naMadzibaba
vaingonamata nendimi.
_drop your comments_

*Watch out for chapter 37*


*MOYO WANGU*
_My heart_

https://chat.whatsapp.com/F6nQYkcfO4UFK
bbUCdtrAm
_like our FB page_
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

*_Written by King Lee_*


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562

*Chapter 38*

*Larry*

Pandakaona Ranisha ndakavhunduka.Iye


akabva aramba akanditarisa ndakatarisa
kumashure ndikaona vanhu
vatiza.Ndakaramba ndakamira asi hana
yangu yakurova.Hazvisi easy kuona munhu
waunoziva kuti akafa.Ruvimbo akauya
pandiri akandiudza kuti Rani haana kufa uyu
ndiko kupepuka kwandakazoita.Ndakafara
kuona mwana wamai vangu.

Vanhu vakatanga kudzoka one by one


vachitarisa Ranisha.Vamwe vanga vachine
kutya.Mai Dee vakadirwa mvura nevana
vavo Dee naNoku vakabva vamuka.Mambo
akati munhu wese agare pasi vanhu vakaita
saizvozvo.

"Ko musikana uyu ndiye Ranisha ari kunzi


akafa mamuwana kupi zviri kufamba sei"

Ruvimbo akabva atsanangura mawaniro


akaita Ranisha.Tamia akabva aratidza
mambo mapics aRanisha.Ndakanzwa kufara
nezvakaita Ruvimbo zvakaita kuti
ndiwedzere kumuda.Ndaifanira kumuitira
something chihombe chekumutenda nacho
nekuti akamira mira mufamily medu.

"Mai Faith mati moziva munhu akaita izvi


taurai ndiani uye mubve mabudisa humbowo
hunoratidza kuti chamuchataura ichokwadi"

"Ndichatanga nekutaura nyaya


yaRanisha.Pane aiita mari nekupenga
kwaiita mwana uyu....."

"Hatisi kuda kunzwa nhoroondo taurai zita


rake"

"Munhu akaita izvi ndiMai Desire.Ndivo


vakauraya murume wangu vatya kufumurwa"
said Mai Faith vachiyeredza misodzi.

Vanhu vakatanga kutaura taura.Ivo Mai Dee


vanga vangori zii.Kana ini mashoko aMai
Faith akandirovesa nehana.

"Ko mungakwanisa kubudisa humbowo


hunotsigira zvamataura here"
Mai Faith vakaramba
vakanyarara.Vakatsikitsita pasi ndakaona
vaibudisa misodzi zvaitonzwisa
tsitsi.Ndakashaya sei vasina kuuyawo
naMadzibaba Handiriya.

"Muri kuona havana humbowo.Vanhu


vanopinda church naMai Rita vafunga
kundirongera nyaya yandisingazive ndouraya
murume wenyu anoshamisirei.Chii chaanga
anacho chinoshamisira hee basa
rekunyepera vanhu nezviporofita
zvenyu.Makauraya mega murume wengu
makuda kunyepera vanhu pano" said Mai
Dee.
"Mai Dhizaya nyararai muchataurai kana
ndati taurai.Mai Faith ndakamirira kuti
mutsigire zvamataura nehumbowo"

"Humbowo handina hangu but chandiri


kutaura ichokwadi zvava kwamuri kuzvitenda
kana kusazvitenda "

Mai Handiriya vakabva vasimukawo


vakangotaura zvataurwa naMai Faith.

"Zvamuri kutaura hazvina value kana musina


humbowo"
"Mai Faith naMai Handiriya vari correct
ndinobvumirana navo chero pasina
umbowo.Mukatarisa pakashaikwa musikana
uyu ndipo pavakabva Mai Dhizaya
vasimukira pamabusiness avo kureva vanga
vakaromba nemusikana uyu" said Sekuru
Gata.

"Vanhu mune problem hamudi kuona vanhu


vachibudirira.Shanda nesimba uone kuti
haubudirire here" said Noku achi defender
mai vake.
Pakatomboita noise padare apa tikazoona
Mai Dee vava kuseka.Ndakashaya vaisekei,
vakanyaradzwa namambo vakaramba
vachiseka vakabva vasimuka vachitamba
tumwe tuma dance twandisina
kunzwisisa.Zvaingova funny zvavanga
vachiita asi munhu akatanga kutopenga
takatarisa.Takaona avo vakumhanyisa imwe
huku.Vakateverwa nemaguard amambo
vakabatwa.

"Mai musanyepera kupenga taurai nyaya


yenyu"

"Ehe ndini ndakamuuraya Pita wacho aida


kukanganisa business rangu.Yes musikana
uyu kupenga kwake ndini ndakazvikonzeresa
kuti businesa rangu risimukire"

Vanhu vese vakashamisika nezvakataurwa


apa.

"Ndakazama kuda kuuraya Rita nepfari


zvikaramba Pita ndiye aikanganisa zvinhu
zvangu.Yes naSabhuku todanana ndosaka
vaitora side rangu.Pita ndakamudzipa
manheru akarara"

Ranisha naTamia vakajambira Mai Dee


vakatanga kuvarova.Kuvabata kwakanetsa
but takazokwanisa kuvabata zvavo.
"Pamunonditongera mhosva dzangu
ngadzisabata vana vangu please havana
chavanoziva.Ndinobvuma ndakatadza
ndinoda kukumbira ruregerero kunemi mese
vemudunhu rino kusanganisa Mai Faith
naMai Rita"said Mai dee vakuratidza kuti
vava normal.

"Ko pamakaita mhosva dzenyu makadii


kutanga mafunga vana venyu.Desire ane
nyaya dzake ainzi akabata Amanda chibharo
mukatsika tsika nyaya yacho nekuti mune
mari ndizvo ka"
"Amen ipapo Desire ndakamunzwa
achirongera madzibaba Handiriya
nyaya.Akamanikidza Amanda kuti
anoseducer Madzibaba Handiriya hazvina
kuzobudirira ndazvibata" said Ruvimbo.

Mai Dee vaiita kunga varasa


njere.Vakapihwa mazuva maviri ekuti varipe
kune family yamadzibaba Pita nekufamily
yedu nekuda kwezvavakaita.Havana kuita
nharo dare rakabva rapera tikanzi taizodzoka
panopera mazuva maviri mambo vachizopa
mutongo wavo kuna Mai Dee.

Hama dzaMai Dee dzakauya dzikaripa


nemombe.Manheru acho takaona imba
yaMai Dee ichitsva.Mangwana takaenda
kudaro mhuri yaMai Dee ikabva yadzingwa
muvillage vachirohwa zvakanyanya nevanhu.

Chakava chishamiso nekuti zuva


rakadzingwa Mai Dee mvura yakabva
yatangawo kunaya.Ndakashamisika kuona
Wesley.

"Larry ndiwe long time"

"Shuwa warova ukuita sei"


"Bhooo ko hausati waroora here iwe"

"Handisati but ndava kuchida kuroora


wagona wabatika nguva chaiyo ndinokuda
kumuchato wangu" ndakadaro.

"Usatya ndinenge ndiripo.Shaa ndikushaya


ndiani akamitisawo munhu wangu
ndakazama kupfimba akundinyepera kuti
akaroorwa.Help me mwana iyeye ndakabva
kudhara ndichimurwarira"

"Haaa mudhara mapengeswa nemwana


here.Ko munhu wacho ndiani ndokubatsira
usatya"
"Haa mudhara promise kuti mondisimbisira
madhiri nekuti munhu wacho unowirarana
naye.Ndiwe wega unokwanisa kundibatsira
ndomuda akadaro chero aine mwana
hazvina problem"

"Ndokusimbisa kani tell me zita remunhu


wacho" ndakabvunza.

Foni yake yakabva yatanga


kuringer.Akanodaira paside achipedza
akadzoka kwandiri.

"Mira topedzisa ndadzoka now pane kwandiri


kumhanyira"

Ndakaenda kumba ndikasvika mhamha


vangori naRanisha.Aiitwa kunga kacheche
mhamha vanga vasingachadi kusiyana
naye.Tamia anga asingadewo kubva pedyo
naRanisha.

Ndakaenda kuseri kwemba ndikasvika Rita


naRuvimbo vachitaura nyaya.Ndakapa Rita
kasign kekuti abve andisiye nemunhu
wangu.Akaita sekudaro ndakabata Rue
muwaist ndikamuswededza pedyo
neni.Ndakatanga kumukissa akarespondawo
akabva abata muhuro mangu.Takazosiyana
ndaona Tamia naRanisha vachititora
mapics.Ruvimbo akatanga kunyara
nyara.Akatora mwana akabva atoenda
kumba kwavo.Apa ndaisada kuti aende
ndaida kutaura naye.

"Kamwana kenyu kubva kafanana nasis Rita


ummm" said Ranisha.

"Apa ndaida kafanane neni nhai dai


kakasaita nharo sedza Rita" ndakadaro
ndichiseka.

"Ndoda kuvaudza" said Rani.


"Ndoti handizvizive"

Mhamha vakabva vasvika vakabata


paperbag ndakatoshaya vanga vabuda
nguvai.Ndaiti munhu ari mumba.

"Ndavigira mwana wangu mabanana aya"


said mom.

"Ko isu hatisi kupihwa here" ndakadaro.

"Handikupe dai makoti Rue aripo ndiye


wandaipa" said Rani.
Zvakabva zvatorana namhamha hameno
vakabuda vachiendepi pamwe chete
naTamia.Ndakapinda mumba ndikaona Rita
angori pafoni achisekerera.

Ndakaramba ndakamuyeva ndakatoziva


hangu kuti sis vangu vava murudo chero
ndisina kuziva munhu waiva murudo naye.

Wesley akabva asvikawo tikabuda kurova


zviround seboys.

"Ko hauna kuzondiudza zita remunhu wacho"


" Oooh ndiRuvimbo shaa tarisa mwana uya
akanaka.But mazuvano akaonda hausi
kuzviona asi mwana amuondesa kani"

Ndakanzwa hasha handidi kunyepa.Munhu


ari busy kutotaimira munhu wangu.Asi haana
kuona mwana here kuti akafanana nani.

"Wesley be serious munhu iyeye mukadzi


wangu.Ndikuda kutomuroora paweekend
ndine mwana naye"

"What!!!!!!!!!!
_thanks nemacomments_

*Watch out for chapter 39*


*MOYO WANGU*
_My heart_

https://chat.whatsapp.com/F6nQYkcfO4UFK
bbUCdtrAm
_like our FB page_
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/
*_Written by King Lee_*
~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562

*Chapter 37*

*Ruvimbo*
Ranisha akagezwa akauya
achena.Vakamhanya kumubikira sadza
akaramba kudya.Mai Faith vakamubikira
porridge akadya.Pakapedza kudya taida
kutaura naye zvikanzi
ngambozorora.Akapihwa room yekurara
handizive vakamurarisa sei.But haana
kubvira ambotaura chinhu.Kumubvunza
chinhu aitaura nema sign.

"Ko haachatauri wani" said Tamia.

"Achataura mupei nguva" said mai Faith.

"But ndinoona zvakanaka kuti ambogara


pano.Everyone haafani kuziva zvikuitika
ndikuda tizoenda naye panoitwa dare
rekutongwa kwenyaya yefamily yamai
Ranisha"vakadaro mudzimai wamadzibaba
Handiriya.

Tese takaona iri idea yakanaka.Pakuenda


kumba Tamia akaramba akati anoda kugara
pedyo naRanisha.Ndakazama kuda
kumuonesa kuti vanhu vaizofungira haana
kunzwisisa.Ndakaenda kumba mai vangu
vachindiona vanofara.

"Ko wanga uripi iwe unoziva ndanga ndava


worried here"
"Sorry mhamha pane nyaya dzandanga
ndafambira" ndakadaro.

"Inyaya dzei"

"Mhamha ndakaneta now ndokuudzai"

Ndakapinda mukitchen ndikatora chikafu


changu ndikadya.Ndichipedza ndakabva
ndaenda kunorara makumbo angu
airwadza.Pamwe inyaya yekuswera
ndichifamba kwandakaita.Musoro wakatanga
kurwadza zvausati wakamboita.Ndakatanga
kuchema.
"Sis Ruvimbo muri kuchemei" kakabvunza
kaRutendo kakamira padoor.

"Ndakufa musoro wangu ukurwadza"

"Mhamha mhamha sis Rue vakuchema"


akabuda achidaidzira kuna moms.

Moms vakauya vakapfugama


pandiri.Vakatanga kundinamatira vachipedza
vakauya nemapills ndikanwa.Ndakabva
ndarara ndakazopepuka Kisha
kachichema.Ndakaona Rutendo aizama
kukanyaradza kachiramba.Ndakatoziva kuti
yava nzara ndakakotora ndikakapa
mukaka.Kunze kwanga kwakutosviba.
"Mapora here mai Kikie" akabvunza
Rutendo.

"Ndava nani"

"Muri kudiwa panze naMai Rita"

Ndakabuda ndikaona mhamha vachitaura


naMai Rita.Vaviri ava vanoratidza kuti
vanowirirana.

"Mai Kisha wava sei ndanzwa kuti warwara"


"Ndava nani mhamha"

"Totenda Mwari.Ko Tamia aripi handina


kumbomuona zuva rese.Zvikumbofamba sei
iwe nezuro waisabatika nhasi ava Tamia
mukumbozvifambisa sei" vakabvunza zvavo
vamwene vangu.

Ndakafunga kuda kuvaudza chokwadi


ndikaona yaisava nguva
yacho.Ndakangovhara vhara iye Tamia ava
kundipinzisawo busy.Ndakasiya mwana
navamwene vaitamba nako.Ndakaenda
kumba kwaiva naRanisha.Ndakasvika
ndikapinda muroom maiva naRanisha
ndikashamisika kunzwa achitotaura.
"Twin Tamia ndoda kuona mhamha vangu
na sis Rita ini" said Ranisha.

"Rani mira unovaona kwete izvozvi"

"Ko ndikabiwa futi nhai"

Ndakabva ndapinda Ranisha achindiona


anoramba akanditarisa achiita kunga
aindifananidza.Pasina nguva ndinoona
andimbundira achichema.Takagara pabed
ndikamutsanangurira masanganiro andakaita
naye zvese.Tikambomuratidza mapics ake
akatorwa naTamia.
"Dai pasina iwe Ruvimbo ndiri
kupenga.Ndoshaya ndokutenda nei dai ndine
chandinacho ndaikupa but I promise you kuti
ndichakupa something"said Ranisha.

"Ko iwewe tiudze zvakafamba sei takanzwa


kuti wakadyiwa nezvikara kusango
pawakaenda kuhuni"

"Handitozive chii chakanyatsa kuitika


pandiri.Paiita kunga pane something chaiva
mandiri chaindi controlla" ndozvega
zvakangotaura Ranisha.
"Zvakavanzika zvichafumuka chete.Tete
Mwari vanokudai" ndakadaro.

"Ndiri tete vaani nhai Ruvimbo"

"Muroora wedu uyu mukadzi waLarry"said


Tamia.

"Hiii shuwa here ko varipi mkoma Larry


vakuita basa rei tell me.Vatova neimba here
ko sis Rita vakaroorwa here havasati vane
mwana here" akabvunza hake Rani.

Tamia ndiye akapindura mibvunzo


yaRanisha.

"Tete Tamia mhamha vari kukutsvagai madii


maenda kumba" ndakadaro.

"Ko why ini musiri kuda ndione mhamha


vangu"said Rani.

"Tete everyone muvillage muno vari


kubeliever kuti makafa" ndakabva
ndamutsanangurira zvaiitika zvese kuti Larry
ndiye anga akupomerwa mhosva iyi.

Rani akanzwisisa hake ndakaenda naTamia


kumba.Handina kuziva kuti Ranisha akasara
akatiteverawo kumashure.Tichisvika kumba
Mai Rita vanga vaenda kumba kwavo
naKisha.Ndakaperekedza Tamia takasvika
Rita akagara panze namai vake.

"Mhamha" takacheuka kumashure tikaona ari


Ranisha.Mai vake vakamira vakatanga
kupukuta maziso vachitarisisa.

"Ranisha tell me munhu akakuuraya pliz"said


Mai Rita

Ranisha haana kupindura akabva ambundira


mai vake.
"Mhamha handina kufa ini bvunza makoti
Ruvimbo"

"Yes ichokwadi haana kufa mupenyu ndiyo


nyaya yandanga ndauya kukuudzai"

Mai Rita vakachema nemufaro vachiona


mwanasikana wavo.Vanhu vepanext door
vanga vakudongorera vachida kuona
chaitora nzvimbo.Tamia akazvionawo
akabva apinza team mumba.

Ndakabva ndaoneka ndaida kuvapa nguva


nemwana wavo.Ndiri munzira kuenda kumba
ndakabva ndasanga naWesley.Anga achinja
ndakatoshaya kuti akabva rini kuSA.

"Ruvimbo my crush" said Wesley achiseka.

"Uri sei ko wakauya rini"

"Ndakasvika nezuro ko kusandiudzawo kuti


wakaroorwa but wakandirwadzisa musikana
iwewe nemadiro andaikuita waisambozviona"

"Wesley ndanga ndisina mafeelings newe"

"Saka izvozvi wava navo here"akabvunza.


"No handina.Handichadi kunzwa nyaya idzo
handisisiri musikana ndava mukadzi
wemunhu.Ndava nemwana ndakunzi Mai
Kisha"

"Heya murume wako anofana kuziva kuti


ndakamutangira.Ndaifunga waindirambira
kuti handina mari now ndava nayo tava
kukwanisa kuroorana I don't care kuti waane
mwana but chokwadi ndakambozama
kukubvisa pamoyo pangu zvikaramba.I really
love you Ruvimbo.Please accept me
ndokuchengeta pamwe chete nemwana"

"Wesley ndakuudza ndava mukadzi


wemunhu.Unoda ndirambe murume wangu
here.Ndiri kukuudza kuti nyaya idzi
handidzide"

Ndakabva ndaenda kumba ndakasvika


kubika.Tapedza takadya tichifara zvedu
ndipo pakabva pasvika family yana Larry.

"Ruvimbo vashoma vanhu vakaita


sewe.Takakupihwa naMwari dai pasina iwe
family yangu yakaparara ndoshaya
ndokutenda nei"said Mai Rita vachifara.

"No tendai Mwari mhamha ndiye ari kuita


mabasa aya ese"
"Mai Ruvimbo sando dzako wakakudza
mwana wako nenzira yakanaka.I hope iwe
Rutendo uchaitawo sasis vako ava" said Mai
Rita.

Mazuva akafamba Ranisha aigara pamba


pavo.Hapana akambomuona kunze
kwevanhu vepanext door.Zuva rekudare
rakasvika Larry akauya but haana kuona
Ranisha.Hapana akamuudza
nezvaRani.Tamia ndiye akasara pamba
naRani ndakamuudza kuti gara foni yako iri
on ndozokuti chiuya naRani kana nguva
yakwana.Nyaya yakabva yatanga Mai dee
ndivo vakapihwa mukana wekutaura.
"Family yaMai Rita yese inoita
zvemishonga.Hamuoni vari kunyanya
kudefender mwana wavo watinoziva kuti
akauraya Ranisha naMadzibaba Pita.Vanhu
ava havana kukodzera kugara muno"said
Mai Dee.

"Ko zvamaiti vakauraya baba Maka hamuna


kuvaona here.Mai Dee ndiwe uri kufurira
vanhu kuti vavenge mhuri iyi ini handioni
mhosva yavo" said Sekuru Gata.

"Pamusoro changamire nyaya iri kutaura


naMai Desire manyepo.Larry mwana wangu
haana ropa mumaoko"said Mai Rita.
"Nyararai zvenyu makadya mwana wenyu
Mai Rita musafunga hatisi kuzviziva.Munoita
basa rekuhura nevarume vevanhu kana
murume wenyu ari kubasa.Ngavadzingwe
muno ava tava kutotya kutororwa varume
vedu nehure iri.Ndaishaya vanowirirana
pakudii naMai Ruvimbo nyamba vanenge
vachifurirana zvisina basa" said Mai Dee
vakabva vatsigirwa neshamwari yavo.

"Nyaya yenyu haina kujeka.Pekutanga maiti


Larry ndiye akauraya Ranisha izvozvi mava
kuti Mai Rita ndivo vakadya mwana wavo
muri kuzama kuti chiii" vakabvunza Mambo.

Ndakaisira Tamia message kuti achiuya.


"Mai ava obvious vanoziva mafiro akaita
Ranisha naMadzibaba Pita vakunyepera
vanhu pano" said Sekuru Gata.

Ndakatarisa kumashure ndikaona Ranisha,


Tamia ,Mai Faith naMai Handiriya vakabva
vasvikawo vakagara kwatanga tiri.Vanhu
havana kuziva Ranisha.

"Pamusoroi mambo kuona ndauya kudai


ndiri kuda kukuudzai zvakaitika.Murume
wangu akauraiwa nenyaya yekuti anga
akuda kutaura chokwadi chiri kuitika
muvillage muno.I know munhu akaita izvozvo
atori pano" said Mai Faith.
"Ko maidii kutaura pese apa kana
maimuziva.Taurai nyaya yenyu tinzwe"

"Ranisha mira apa vanhu vakuone first" said


Mai Faith.

Ranisha akabvisa dhuku ranga akasunga


vanhu vakamuona.Vamwe vanhu vakatiza
,kana iye mambo akaratidza
kuvhunduka.Larry akango sticker akatarisa
Ranisha.Mai Desire vakabva vafenta....
_thanks nemacomments enyu_

*Watch out for chapter 38*


*MOYO WANGU*
_My heart_

https://chat.whatsapp.com/F6nQYkcfO4UFK
bbUCdtrAm
_like our FB page_
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

*_Written by King Lee_*


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562

*Chapter 39*

*Larry*

"Sorry ndanga ndisiri kuziva kuti Ruvimbo


ndiye wauri kuda kuroora.Ko sei usina
kundiudzawo nhai"said Wesley.

"Ndanga ndichida kukuudza uchiona mwana


waanaye ndewangu.She is my everything.I
know waimuda kudhara but now wakufana
kunzwisisa kuti ane ropa rangu.Iwo madays
aya ndaimuda but ndaisambozviona"
ndakadaro.

"Ndanzwisisa hangu mwana uya anoita


kwete ana Yeu vawanga watitorera"

Takabva tafamba kuenda kumba


kwavo.Imba yaakavaka yanga yatopera
changa chasara kuti aisa magetsi.Kana ivo
Sekuru Gata vaidada naye
ndakazvifarira.Ndakapinda mumba macho
ndikatoona manga mava nemasofa.Manga
makarongeka changa chasara
mukadzi.Ndakatozviudza ndaifana kuvakira
vabereki vangu imba hombe ndoisa futi
magetsi.Mari yegold yandakaisa kubank
yaiva ichiriko yakawanda yaitokwana kuita
izvozvo.Asi ndaifana kuitawo something
chekutenda Mai Ruvimbo nekundizvirarira
mukadzi ane hunhu.

Ndakavhura shop yangu yanga


yambovhara.Plan yekuisa chigayo yakauya
mupfungwa dzangu sezvo vanhu vaisienda
chaMai Desire.Manje changa chakapazwa
pazwa musi wavakadzingwa.Ndakaenda
paiva nechigayo chavo ndikasvika paine
vanhu vaibvisa zvinhu zvaivamo.Dzaiva
hama dzamai Dee dzaitora zvinhu.

"Kana pashaya buyer or anoda kurenter


pano ngatisiyanei nazvo tofirei ngatitengese
michina iyi" akadaro umwe mkadzi.

"Ndiri kuda kutenga building chete ndoda


kuisa muchina yangu" ndakadaro

Vakambonditarisa tarisa
vaisandiziva.Takataurirana tikabvumirana
date rataizopanana mari.Ndakaenda kumba
ndikaudza vanhu kuti ndakuenda kutown.
"Iwe uri kumhanyirei.Wakufana kuroora
Ruvimbo" said mhamha.

"Mhamha don't worry pane masinhi andiri


kuda kutanga ndagadzirisa"

"Masinhi eyi iwayo atisingaudzewo"


akabvunza Ranisha.

"Ndokuudzai pandodzoka"

Ndakabuda ndikaenda kubustop.Ndakapinda


mukombi ndichisvika mutown ndakaenda
pabank ndikatora mari yandaida.Ndakasvika
pamba foni yangu ikabva yatanga kurira
ndikaona Ruvimbo ndiye aifona.

"Hello my wife"

"Une shuwa Larry" akadaro nekavoice


kanoratidza kuti akatsamwa.

"Umm babe......"

"Unoenda usina kundiudzawo


sei.Wandiratidza kuti hauna basa neni
pamwe pane munhu wauri kuda kunoona"
"no Ruvi......" akabva atokata foni yake.

Ndakazama kufona but yanga yakuramba


kuratidza kuti yadzimwa.Ndakazvishoora ko
chii chaita kuti nditadze kuoneka.Zvaiita as if
handina basa naye.Ndakafonera Tamia
ndichida andi kavhire chipande but
yakadairwa naRanisha.

"eeh mkoma Larry mafamba bhoo here"

"Yaa ndafamba bhoo ko Tamia aripo here


pane zvandikuda kutaura naye"
"Ingotaurai neni nekuti Tamia mutwin wangu
toshare zvinhu"said Rani.

"Ruvimbo akanditsamwira ndauya kuno


ndisina kumuudza atondidzimira foni.Ndaida
mundi kavhire nekuti pane zvakakosha
zvandikuda kumboita kuno plizz itai zvekuti
anzwisise"

"Okay don't worry bro totaura naye mirai


tisvike pamba pavo"

Ndakabva ndatokata atleast vakanotaura


naye kutsamwa kunopera.Ndakatora kadiary
kangu ndichinyora maplans andaida
kushandisa mari iyi.Atleast ikapera ndinenge
ndaishandisa zvine musoro.Ndakafonerwa
kubasa kwandaimboshanda ndikanzi
ndadzoserwa pabasa takaona hauna
mhosva waipomerwa panyaya yekubaya
Deviya.Ndakabva ndadzoserwa mota
yandaishandisa ndakakumbira kuzotanga
basa mazuva aitevera
vakabvuma.Ndakasvika kumba ndikanamata
ndichitenda Mwari.

Mufaro wandanga ndinawo wanga


wakanyanya.Ndakapinda mumota mangu
ndikadzokera kumusha.Ndichisvika vanhu
vepamba vakashamisika kuti
ndiani.Vakazoshamisika vachindiona
ndichidzika mumota.
"Haisiyo mota iya here waiwana kupi"
vakabvunza moms.

"Mhamha ndadzoserwa pabasa"

"Saka haana kundinyepera" said Rita


ndakashamisika kuti aizama kuti chii.

"Ani asina kukunyepera"ndakabvunza.

"Aaah hapana" said Rita akatarisa pasi.


"Kungobva kwaMai Dee zvinhu zvedu zvava
kutanga kurongeka.Mwari vakurangirare
mwanangu pazvinhu zvese zvauchaita"

"Thanks mommy.Ko mudhara vanouya rini"

"Manheru vanenge vasvika"

Vanga vakadzoka kubasa kwavo.Zvekuti


pakatongwa nyaya vaisavapo vaiva busy
zvakanyanya.Pasina nguva vakabva
vasvika.Ranisha akavajambira wakava
mufaro.Inini pfungwa dzaitofunga
Ruvimbo.Ndakapinda mumota ndikabuda
ndikanomira nechepamberi pemba yana
Ruvimbo.Ndakamufonera foni yake
ikaramba.Ndakadzika ndikamira
ndakazembera mota kuti ndiende pamba
pavo zvaisaita zvinoita as if ndakujairira mai
vake.Ndakaona kaRutendo kachibva
kumvura.

"Ninez svikai pano".

"Ba Kisha muri sei"

"Ndiri bhoo ndoda kuona Mai Kisha itai plan


vabude"
Rutendo haana kuita nharo.Ruvimbo akabva
abuda achindiona akabva afutisa
matama.Ndakaziva kuti
ndakatsamwirwa.Ndakamujumha ndikamupa
kiss shasha ikagumisira yava
kuresponda.Takazosiyana ava kunyara.

"Hausisina kunditsamwira ka"

"Ndakatsamwa wakanditiza"

"Babe handina kukutiza ini.Ngatipinde


mumota titaure takagara"

"Wakaiwana kupi ko zvayakafanana


neyawaimbotamba nayo"

Ndakamuvhurira door
akapinda.Ndakamutsanangurira
zvekudzoswa basa rangu.

"Ko why wasiya mwana wangu"

"Kakarara ako kakamuka kanonetsa"

"Next time pandouya kukuona unobuda


nemwana right"

"ehe daddy saka mandivigirei"


Ndakamupa tunhu twandanga ndamuvigira
akafara.Pana Ruvimbo ndainyatsa kuona
kuti ndakapinda mwana ndaimuda
uyu.Takazoparadza kwasviba ndikaenda
kumba.Ndakasvika kumbotaura namudhara.

"Saka uri kufungei nenhau yaRuvimbo"


vakabvunza.

"Ndiri kuda kutoroora ndiyo nyaya yandaida


kutaura nemi"

"Don't worry ndichafonera baba Maka vauye


mangwana acho tifambise hurongwa
hwacho"

Pamba panga painakidza waingoona kuti


pakashota Ruvimbo.Pandakafunga kuti
pandichange ndakugara naye ko Mai vake
naRutendo vanenge vava vega zvaindibata
bata.Ndakamuka makuseni ndikaona
ndikatenderera yard yese ndichitsvaga
panonyatsoita kuvaka imba.

"Rita pangaita kuvaka imba ndepapi"

"Wow moda kuvaka imba futi kuno"

"Ehe shaa ndoda kuvakira vabereki


vedu.Yaiva wish yangu ndichikura kuti ndoda
kuvakira mhamha namudhara imba saka
ndofana kuzviita"

"Tofana kuvaka tese Larry.Now ndapora


ndava kukwanisa kuenda kubasa
tinobatsirana tese waiziya"said Rita.

Ndakaona kuti zvaizoreruka kana


tikabatsirana naRita.Takafamba tikaona
painyatsa kuita.Rita akabudisa mari yake
ndakashaya akaiwana kupi.

"Mari iyi ndeye 2 months dzandakashanda


plus imwe ndaiita tumwe tuma piece jobs"
said Rita.
Takatsvaga mabuilder tikataura navo basa
rikatotanga.KuChigayo ndakaenda
ndikapedza nyaya dzacho changa chasara
kutenga michina yacho.

Baba Maka vakauya nemukadzi


wavo.Ndakazofunga kuti ndakapromisa
Ruvimbo kuti ndichimuroora ndobva
ndaronga muchato.Ndakaona kuti ndikaita
zvemuchato mari yekuzotenga chigayo
yaisazobuda.Zvechigayo ndaizozviona
pamberi.Marooro akafamba zvavo negwara
rakanaka.Ndakatoti mukadzi wangu handisi
kusiya.Takaenda naye kumba akatambirwa
zvakanaka.Kana mari yandakabvisira kumba
kwavo yanga yakawandawo kwandiri
Ruvimbo igoridhe.

Kana ivo baba vavo vanga vakaramwa mhuri


yavo ndakaona mufaro pavari.Ndakangoita 3
days kumusha tikabva taenda kutown naMai
Kikie.

Ndakatanga kuenda kubasa zveshuwa


zvinhu zvaifamba zvakanaka.Zuva rebirthday
raRuvimbo everyone akauya
achipembera.Vanhu vese vakazomupa
mapresent kukasara ini chete.Vanhu vese
vanga vanditarisa vachida kuona ndaimupa
chii.Ndakafamba ndikaenda kuna Ruvimbo
ndikasunga kamucheka pamaziso ake
ndikamutakura kumuisa mumota.Takapinda
mutown tikasvika pasaloon.Ndakamuvhura
maziso akabva angotarisa tarisa asi haana
chakanzwisisa.

"Babe ndiri kukupa this saloon as your


bithday present" i said.

Ruvimbo akasticker akatanga kubudisa


misodzi akabva andipa hug.Ndakaona
mufaro mukuru pana Ruvimbo.Iyo saloon
yacho yaiva yakakura.Ndakamupa mapaper
akasaina ikabva yapinda muzita rake.

Pandatenga saloon iyi Tamia aivapo.Mazuva


akafamba tichigadzirira zvemuchato uku
ndaienda kubasa.Rita anga akuendawo
kubasa kwake aisabatika zvekumhanya
waimuona paweekend.Nekuti pakati peweek
apa anenge achigara kumba kwaMai
Tamia.Zvinhu zvemuchato wedu zvakafamba
zvakanaka.Day remuchato rakatosvika
vanhu ngavawande aiva best man wangu
ndiWesley.

Zvinhu zvakafamba semarongero atakazviita


Pastor pavakazotaura kuti pane anoti
hazviite vaviri ava vabatanidzwe ngatiratidze
nekusimuka.Pakasimuka Deviya naJoker
ndakashaya kuti vakokwa nani vanhu ava.....

*Thanks nemacomments*
Watch out for *CHAPTER 41*

*Perfect Peace season 2* is on sale

80rtgs or 80 buddie airtime pedo nemahara

# *0788183445*

Zita rinobuda Pacify N Shumba


SA munoisa eytime 10R

#+27 62 272 5562

Screenshot shot ku#dzemunyori

Huyai guys tinzwe kuti

*Akira achadii nekutorerwa mwana*

*Muku akufungei nezvazvo*

*Mai Akira vachakwanisa kuregerera Akira


nekuda kwezvaakataura*
*Aria arikufungey nenyaya yaAkira will she
forgive Alvin*

*Akaudza vabereki vaAlfred nyaya yaAkira


ndiyani*

Lots of love from Nassey


thanks kune vacha surpoter. I love you guys
varikutenga nevacharega ndokudai mese
Promises ndichaunza free book

Wenyu munyori Nassey


*MOYO WANGU*
_My heart_

https://chat.whatsapp.com/F6nQYkcfO4UFK
bbUCdtrAm
_like our FB page_
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

*_Written by King Lee_*


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562
*Chapter 40*

*Rita*

Pakatanga kundipfimba Dr Nayaki


ndakavanyepera kuti ndakaroorwa.Havana
kuda kuita give up ndaida kutanga
ndambovaona kuti havana mukadzi
here.Zvekuitiswa ndaisazvida mazuva
akafamba tikagumisirana tava kudanana.Dr
Nayaki ndivo vakaita Larry adzoswe pabasa
pake.Handina kuziva vakazvifambisa sei asi
ndakazotsvaga ndikaona kuti manager wepa
company ipapo ndibaba vaDr Nayaki.

"Rita ndoda kuenda newe kumba kwedu


vabereki vangu vakuone" he said takagara
mumota mavo.

"Aaaah ko vakasandifarira nhai"

"No vanokufarira chete vaitonetsera kuda


kukuona"

"Dr Nay...."
"Hauzive zita rangu here babe, kana
zvichinetsa chingoti daddy"

"Daddy Gerry" i said ndakavhara maziso


nekunyara.

Ndakanzwa malips angu


akukiswa.Ndakatanga ndichakatensa
ndikagumisira ndava kurespondawo.He was
a good kisser, aikissa achindisveta malips
zvinyoro nyoro.Achipinza rurimi rwake
mumukanwa mangu orwufambisa fambisa
mukati imomo achiita seanokokota all the
corner of my mouth.Aiziva zvanoita handisati
ndakambokiswa zvakadaro chizvarirwo
changu.
Ndakanga ndava kufemereka akabva
asimudzira hembe yandanga ndakapfeka
and started sucking maboobs angu
ndakanzwa kamwe kafeeling kandisati
ndakambonzwa.Akadzoka kumuromo
ndokutanga kundikissa zvekare ,ruoko
rwakange rwava muzvidya zvangu
rwuchipuruzira up and down zvaiita kunaka
makumbo akazvivhura ega kunga gate re
automatic.

Ndakazofeeler kuti ruoko rwake rwakanga


rwava mupant mangu akabva
amira.Ndakabhoekana ndaida arambe
achiita apa ndanga ndava kunzwa kuda
munhu ongondisiya.Ndakadzikisa skirt yangu
ndava kunyara kutarisana naye.Ndakuda
kubuda ndikaona door rakalokwa.

"Babe ndiri kuda kuenda newe kumba


kwangu tinopedzisa patasiira"

"Handidi"

"Haudi nei"

"Aah iwe kusangoda"

"Unonyepa I know ipapa wakanditsamwira


kuti ndamirirei zvandanga ndichiita"
"Tsek wako vhura door ndoda kubuda"

"Ndiri kukuperekedza kumba" he said.

"Ok"

"I hate ma one word answer Rita"

"Unoda ndipindure kuti chii nhai"

"Pane chikushota pauri"


"Chiiii ichocho"

"Unochiziva"

"Unopenga"

Akamutsa mota akandisiya pagate paMai


Tamia.Ndakapinda mumba ndikanozvivharira
muroom mangu.Ndainzwa kufara
ndakatanga kufunga zvataita mumota
ndainzwa kumerera.

"Ko uri kumbosekererei wabvira kare"


vakabvunza Mai Tamia.

"Aah ndikungonzwa kufara ini"

"Hooo asi tave nemukwasha here"

"Aaah mhamha chazokuudzai nguva


yakwana" i said.

Vakangoseka zvavo ndakanobika


ndichizvifarira hangu.Team rakauya kubva
kumusha vakatanga kugadzirira zvemuchato
waRuvimbo naLarry.Ndaingovabata apo ne
apo nekuti ndaiswera kubasa.Zvinhu
zvakafamba zvakanaka pakazonzi vanoti
hazvina kukodzera kuti vaviri ava
vabatanidzwe ngavasimuke.Ndakanzwa
hasha ndichiona Deviya achisimuka.Joker
akabva asimukawo ndakatoziva pachaita
drama chete nekuti Deviya ndomuziva
pfungwa dzake dzombopota dzichimusiya
ega.

"Ruvimbo anga ari best friend


yangu.Ndakazoona kuti airwadziwa nerudo
rwangu naLarry.Akabva andipa ma advises
ekuti ndirambe Larry kuti iye a....." haana
kupedza kutaura arohwa namai vake.

Mai vake ndaiziva ari munhu bhoo


ndotoshaya mwana wavo akambotodza
ani.Deviya akarohwa mbama kumusana
vakabva vamubata vakabuda naye.Joker
haana zvakataura akabva atobuda.Muchato
wakazoenderera mberi.Vanhu vakabvisa
zvipo zvavo vakawanda ini
ndakangokwanisa kubvisa che four plate
stove.Dr Nayaki vakabvisawo chavo
chemasofa emberi chaiwo.

Vakaenda kuVic Falls kuhoneymoon


vakanopedza week variko.Ndakamukira
kuenda kubasa semazuva ese.Ndakashanda
pandakachaisa Gerry akauya kunditora.

"Nhasi wakurumidza kuchaisa toenda here"


"Kuenda kupi"

"Kumba kwedu"

"Handidi kuti unondiita zviya zviya"

"Babe amana hapana zvandokuita ndikuda


unoona vabereki vangu" he said
akanditarisa.

"Okay kwacho".

"Zvehasha here"
"Sorry daddy"

"Handidi sorry yekungotaura ita something"


he said.

Ndakaramba ndakanyarara akuda kumutsa


mota ndakabva ndamujumha
kiss.Ndakazomusiya ndava kunyara.

"Hausisina kunditsamwira" i said ndakatarisa


pasi.

"Taura wakanditarisa Rita"


Ndakazvishingisa kumutarisa
akangonyemwerera achibva amutsa mota
tikaenda kumba kwavo.Imba yacho yanga
yakakura ndakatoona kuti kune vanhu vane
zvinhu zvavo.Takapinda ndikaona mune
vamwe mai vechikuru vakagara nekamwe
kamwana kaiva zera rekuma
5/6yrs.Ndakavakwazisa zvine tsika
mukati.Takambotaura nyaya vanga
vakasununguka ndipo pandakazoudzwa kuti
ndivo mai vaGerry.

"Wagona wauya makoti ndaiti Gerrald ari


kundinyepera.Ndangonzwa kukufarira
pandakuona" she said.
"Ko mhamha vamwe vaendepi" akabvunza
Gerry.

"Vabva kubuda vari kudzoka manje manje"

Gerry akabuda akandisiya namai vake


tikambotaura nyaya navo.

"Gogo ndiani uyu" kakabvunza kamwana


kaiva naMai Gerry.

Ndakaramba ndakakatarisa ndikaona


kakafanana naGerry.Hana yangu yakatanga
kurova kuti angasava mwana wake here
uyu.Anogona asiri wake dai ari wake
akandiudza.Pamwe mwana webrother yake
yakambondiudza nezvayo kuti yaiva
kuSA.Gerry akandiudza kuti vanozvarwa vari
4.Iye aiva wechipiri wekutanga ndimkoma
vake Joden vari SA.WeChitatu musikana
wekupedzisira mkomana asi haana
kundiudza zita rake ameno chii asi vamwe
vese akataura mazita avo.

"Ava ndimhamha vako Jessy"

"Havasiwo mhamha vangu mukunyepa


gogo"
"Jessy ndakambokunyepera here.Just know
gogo havakunyeperi chienda unotamba"

Kakabva kauya kumira pamberi pangu


kakaramba kakanditarisa.Ndakaona kauya
kugara pamakumbo angu kachitambisa
mabraids andanga ndakarukwa.

"Iwe Jessy ndati chii" said Mai Gerry.

"No mhamha musiyei zvenyu"

"Kana muri mhamha vangu sei maisauya


kundiona" kakadaro.
Gogo vake vakakasikudza vakabuda
nako.Ndakanzwa kava kuchema ndipo
pakasvika Gerry
achikanyaradza.Ndakangomutarisa neziso
rine mubvunzo.Pakabva pasvika Baba Gerry
naKundiso anova hanzvadzi
yaGerry.Ndakavakwazisa nemufaro kaJessy
kakabva kauya kugara pamakumbo angu
futi.

"Ndoda kurukwavo zvakadai ini" kakadaro


kachitambisa braid rangu.

"ndichazokurikisa don't worry" i said


ndichinyemwerera.Ndakaona Kundiso
akaramba akanditarisa kunga
aindifananidza.

"Iwewe wakafanana neumwe mkomana


anoshanda namudhara wangu" she said.

"Ooh muri kureva Larry he is my bro"

Pamba apa paiva nemufaro.Vanhu


vakanditambira nemufaro asi Kundiso ndiye
aingondibvunza bvunza zvinhu zvisina
nebasa.

"Rita I hope unoda bro vangu nemoyo wese.I


hate zvevasikana vanoda mari too much
ndangoti ndikuonese hangu" akadaro
Kundiso.Handina hangu kupindura
ndakaramba ndakanyarara.

Kwava kusviba ndakaoneka kune family


yese.Kundiso akati siya wabika mwana aiva
nemiyedzo zvake.

"Anozobika next time now akufanirwa


kuenda kumba kwasviba" akadaro Gerry.

"Akabvunzwa anongotaura ka kuti ndanga


ndaenda kunoona family yemurume asi
zvinorovesa here" vakadaro tete
Kundie.Vaisagona kunyarara kutaurisa too
much zvekuti Tamia aisara pasi.

"Kundiso ko ukanyarara unobvei" vakadaro


Baba vacho.

"Dad saka imhosva here kukumbira


kubikirwa nemuroora wedu"

"Okay regai ndibike" i said ndatoona kuti


pangatoita nyaya.

Gerry akada kumboramba.Ndakapinda


mukitchen ndikapihwa zvandaifana kunzi
ndibike.Ndakatanga kubika pandakapedza
tete Kundie ndivo vakauya kuzopakura.

"Wow unogona kubika hako jealous down


wapasa test yako but kwasara 1" said tete
Kundie.

"Ndeipi yasara" akabvunza Gerry.

Kundie akabva atarisa kaJessy kanga


kachidya.Akabva aramba akanyarara zvake.

"Iyoyo ndichazoitaura next time.Waita


zvakanaka makoti Rita"
Ndakaperekedzwa kumba naGerry angori zii
ndakashaya kuti aifungei.

"Ko Jessy mwana waani why mhamha


vakaudza kuti ndiri mhamha
vake"ndakabvunza.

"Mangwana handisi kuuya kukutora


ndinenge ndiri busy babe" he said achimisa
mota pagate pedu.

Haana kupindura zvandakabvunza.But


ndakaona chiso chake chaisava nemufaro
ndakashaya ndamuitei.
"Gerrald ndakuita sei"

"Rita hapana chawatadza kungoti ndiri


papressure nezvinhu zvebasa now ndikuda
kuenda kuchipatara" he said achindivhurira
door kuratidza kuti aisatoda zvekunetswa.

Ndakabuda mumota asi moyo wangu wanga


usisina mufaro.Ndakapinda mumba
ndikasvika mai Tamia vakagara zvavo
pasofa.

"Ko uri kubvepi this time Rita"

"Ummm mhamha mota yandakwira yamboita


break down

"Rita handisi mwana mudiki.I know wanga


une mkomana wako ndiye
akunonotsa.Ndoda kumuona uuye naye
pano"

Ndakabva ndaenda muroom


mangu.Ndakafunga kuti pane chandatadza
here chaita kuti Gerry atsamwe.Ndakaona
pasina chandatadza pandabvunza
mubvunzo wangu haana kupindura.

Makuseni ndakamukira kuenda kubasa


kwangu.Masikati Kundiso akauya pabasa
pangu ndakaziva atumwa naGerry.Akauya
naJessy kakabva kandimhanyira.

"Makoti wami ukuzvigona sei"

"Handisi bhoo ini"

"Ko chii"

"Gerry akanditsamwira ndiri kushaya


ndakatadza chii.Dai ataura pandakabhaiza
zviri nani"

"Haana kutsamwa but pane zviri kuitika


makoti" she said.
"Chii chikuitika"

"Achakuudzai"

"Chindirukisa izvi Rita" said Jessy.

"Iwe benzi haugoni kuti mhamha here" said


Kundie.

"Asi ndine vana mhamha 2 here tete"

Kundie haana kupindura akanditora tikaenda


kunotenga chikafu.Lunch payakapera
ndakadzoka kubasa.Mupfungwa ndaiva
nekunetseka kuti Jessy uyu aiva mwana
waGerry here.Ko why asina kundiudza ko iye
Kundie sei asina kundiudzawo.Kuti anogona
ari mwana wamkoma vaJerry here ameno.

Pandakachaisa ndakazama kufonera foni


yaGerry but yaisadairwa.Ndaida kuenda
naye kumba mai Tamia
vamuone.Ndakaramba ndichizama
yaisadairwa ndakabhoekana nekuti haasati
akambondi ignowa.Ndakaenda kubasa
kwake ndakuda kuvhura door repa office
pake ndakanzwa mavoice aitaura
imomo.Raiva voice rake nerechikadzi
vairatidza kuti havasi kuwirirana.
"Uri kundiudza kuti wakunoroora umwe ini
ndine nhumbu yako kuti zviite sei.Ukuda
mwana wangu Jessy achengetwe
nekavillage girl kaya haaa no no hazviitike
ndichiri kurarama" rakadaro voice randisina
kuziva kuti nderani.

Handina kuda kuterera zvavaitaura


ndakabva ndatorova pasi.Mashoko aya
akaratidza kuti uyu mukadzi waGerry ndivo
mai Jessy atori neimwe
nhumbu.Ndakachema saka ari kundiitisa
nhai.Pana Gerry ndanga ndaperera nemoyo
wese.Ko madzibaba Handiriya vakati
ndimubvume asi vakatadza kuoneswa
kani.Ndakachema ndikaenda kumba mufaro
ndisina.Pandakaona Mai Tamia ndakanowira
pamakumbo avo ndikatanga kuchema.....

*Thanks nemacomments*

Watch out for *final chapter 41*


*MOYO WANGU*
_My heart_

https://chat.whatsapp.com/FeUuKq8NDMc8
Osshxfjk3K
_like our FB page_
https://www.facebook.com/10620376526687
5/posts/112893001264618/

*_Written by King Lee_*


~LeeMarzy~
+263774206587

_Edited by Memo_
~Mai Xander~
+27622725562

*Final Chapter 41*

*Rita*
"Rita unofana kungwarira vakomana ava
vazhinji vacho matsotsi vanenge vachida
kungorara newe votokusiya" said mai Tamia.

"Moyo wangu ukurwadza Gerry ndomuda ini"

"Atleast anga asati arara newe.Iwe siyana


naye kana achikuda ngauye ataure neni
pano"said Mai Tamia.

Vakandipa chikafu ndakangodya


zvekuvanyara but ndaisada
kudya.Ndakanorara pfungwa dzaitova kure
chaiko.Foni yangu yakaringer ndikaona ari
Gerry aifona ndakabva ndaidzima.Makuseni
ndakamukira kuenda kubasa ndikaona Gerry
akandimirira pagate.Handina kumbotaura
naye ndakamu ignowa ndikanopinda
mukombi ndikarova pasi.

Ndakasvika pabasa pangu ndikatanga


kushanda.Musoro waitorwadza ndakapihwa
tsamba yekuti ndiende kuchipatara.Ndaisada
zvekusangana naGerry but ndaiva ndisina
option.Ndakasvika pachipatara paya
ndikabatsirwa ndakasangana naGerry ndava
kubuda.

"Rita"
"Siyana neni"

"I'm sorry babe ndine zvandikuda kukuudza


huya mu office mangu"

"Kundiudza zvekuti une mukadzi atori


nenhumhu uye Jessy mwana wako right" i
said akabva aramba akanditarisa.

Ndakabuda ndikasangana Kundie padoor


ndakangomumhoresa ndikarova pasi.Ndava
kuda kukwira combi ndikaona ndakanganwa
foni muchipatara.Ndakadzoka ndikabvunza
nurse vakati vaipa Dr Nayaki.Ndakaenda
kuoffice kwavo ndakuda kunoka ndakanzwa
Gerry achipopota.

"Kana uchiti hausiwe wamuudza saka


azviziva sei.Kundie ndakati ndomuudza
ndega kwete zvako izvo"

"Iwe hapana zvandakamuudza why


usinganzwisise.Ndakakuudza day riya kuti
udza munhu wako chokwadi asati aita
zvekunzwa nemakuhwa" said
Kundie.Ndakabva ndavhura door ndisina
kunoka vakabva vanditarisa.

"Ndauya kutora fonin yangu"


"Rita ndoziva wakatsamwa but pliz
ndokumbirwa kutaura newe just for 5 mins"

Kundie akabva abuda ,Gerry akabva avhara


door akaita zvekukiya.

"Rita I love you with all my heart"

"Ndizvo zvawandimisira here"

"Rita wait nditaure.Jessy mwana wangu


ndaishaya ndokuudza sei ndaitya
unozotsamwa ukandiramba"
"Ndozvega"

"Ndanga ndakaroora kudhara but


takazosiyana namai Jessy ndavanakidza
vakarara nebrother yangu"

"Zvega"

"Tatova negore tasiyana kutaura chokwadi


handisisina mafeelings
naye.Ndakatomubudira pachena kuti ndikuda
kuroora iwewe"

"But why usina kundiudza zvese izvi


kumashure dai ndisina kuzviziva
waisandiudza"

"No ndaitya unondiramba ndaitsvaga way


yekukuudza nayo.Uchiona Mai Jessy vatori
nenhumbu yavari kuti ndeyangu iyo isiri
yangu.Iye ari kufunga takarara tese paparty
iye akarara nefriend yangu"

Ndakatora foni yangu ndikabva


ndabuda.Ndakananga kubasa ndikapihwa
leave ye3 days sezvo ndaisanzwa
bhoo.Ndakasvika kumba nekurara ndipo
pakabva pasvika Tamia naRanisha.

"Ko kurara marwara here" akabvunza Rani.


"Vanga vari kuchema hausi kuona misodzi
yakaomera pamata avo here.Sis chii
chikunetsa"

Ava vapfana vangu ndakaona kuti


kuvahwandisira zvaisaita.Ndaida
vandiudzewo maonero avo.Ndakavaudza
everything.

"Sis Rita munhu uyu anokudai please


muregererei" said Tamia.

"Ukaona munhu anokuudza chokwadi


anokuda.Dai ari umwe aisambokuudza
chokwadi.Motokachengeta kamwana kacho
hanty mataura kuti kanokufarirai motokabata
sekamwana kenyu"said Ranisha

"Ko mhamha vanozvibvuma here"

"Mhamha havafani kuramba vanofana


kukusapotai" said Rani.

Takazochinja nyaya Gerry akabva afona


Rani akatora foni akadaira ariye.Ndakaona
Rani akubuda kunze ndakatoziva kuti Gerry
ari panze.Ndakadongerera nepawindow
ndikaona vava kutaura vese ndipo pakabva
pasvika mai Tamia.Vakabva vamuti apinde
mumba.Ndakaramba ndiri muroom mangu
ndainyara kubuda.

Mhamha vakazouya vakanditora.Ndichiona


Gerry ndakanyepera kufutisa matama.

"Mhamha ndiye mukomana wangu uyu"i


said.

"Dr Nayaki ndimi muri kutamba nemoyo


wemwana wangu tipirei zvakamira sei.I know
une mukadzi iwewe ukuda kuisa mwana
wangu pabarika here"

"No mhamha I love your daughter with all my


heart.NaMai Jessy takatosiyana kudhara
tikatosaina madevorce papers" he
said.Akatsanangura zvakawanda zvekuti ivo
Mai Tamia vakanzwisisa.Kunzwisisa
kwakaita Mai Tamia kwandifadza
zvakatondiratidza kuti mai vangu
vaizonzwisisa.

Pakubuda Gerry akaperekedzwa naTamia


naRani.Ndakaenda kuroom kwangu
kunorara.Tami naRani vakadzoka vachifara

"Guess tapihwa mari" Rani said

"Ndipewo enda unotenga polony tidye tese" i


said.
"Aaah mira ndimufonere azokuvigira polony"

"Haaa kabenzi ndamboti mufonere here"

"Sis Rita asi mkomana wenyu naJoker


mabrothers here" akabvunza Tamia.

"Aaah iwe havasi mabrothers nehunhu


hwaJoker huya angaita bro yaGerry no
hazviite"

"But vakafanana wani pamwe ndini ndega


ndazviona"
"Haa enda unoparwa maziso mupfana" i
said.

"Ruvimbo andifonera achiti akuda


kundirukisa saka team ndokuonai regai
ndimbosvika kumba kwaMai Kikie" said Rani.

Ranisha akabva aenda ndikasara


naTamia.Kuchiedza ndakamukira kupinda
mutown naTamia takasvika kusaloon kwamai
Kikie tikasvika Ranisha atopedzwa
kurukwa.Kamupfana kangu kakanaka zvako
jealous down.Kundie akabva asvikawo aina
Jessy.Jessy kakabva kandimhanyira.
"Saka hamusi mhamha vangu hamuuye
kundiona plus makandinyepera kuti
muchandirukisa zvakadai" kakadaro
kaJessy.

"Okay chienda unogara apo urukwe"


ndakadaro.

Takabva tagara zvedu pazvimasofa


zvaivamo ndichitaura naKundie.

"Ko bamunini vadiki vamboripi"

"Hoo ukureva Jokias here.Unoziva mupfana


uyu akadzingwa pamba arara naMai
Jessy.Ndiye akaita Gerry naMai Jessy
varambane.I hate him so much ndiye aiita
mhamha vagare vakakwira BP haanzwi"

"Jokias ndiye Joker here"

"Ehe iyeye asi unomuziva"

"Sis Rita ndakakuudzai paya kuti Joker


naGerry vakafanana mukaita nharo" said
Tamia.

"Aaah ukanzwikwa naGerry monetsana


hazvide zvekunzi akafanana naJoker"
"But family yese mukamuvenga zvobuda
here mofana kumuregerera, ko moziva sei
ari Mai Jessy vakamu seducer" ndakadaro.

"Joker haumuzive ndosaka uchidaro.Dad


vaida kumudzinga kubasa but mhamha
vakaramba"

KaJessy kakazopedza kurukwa vanhu


vairuka vacho vaiziva zvavanoita
zvavo.Kundie naJessy vakabva vaenda
ndikasara naRuvimbo.

"Kundie uyo anotaurisa umm" Rue said.


"iradio iyo pachayo"

Mazuva akafamba Mai Jessy vakazvara


mwana pakaitwa maDNA zvikaonekwa kuti
mwana aisava waGerry.Gerry akabva
anobvisira kumba kwedu ndikabva ndatorwa
nemuchato.Tamia naRanisha vakangoudzwa
kuti fambai nenzira dzakafamba nasis venyu.

*Larry*

"mai Kikie mwana akangosvitsa 3 years


woenda kunoita course yako" ndakadaro.

"Kuti usare uchizohura manje"

"Ndamboti ndiri kuda kuhura here"

"Saka why uri kutaura sekunga uri kuda


kundiendesa kure" akadaro Rue.

"Nhasi pane chakashota pauri ndosaka uri


kufarisa"

"Chii ichocho"
Ndakabva ndamusimudza tikapinda
mubedroom.Takaita mutambo wevakuru asi
anga achine kakundinyara zvake.Takabva
tatanga kutaura nyaya tichiwanzirana
kusvika tibatwe nehope.Takazomuka kaKikie
kava kuchema.Rue akanogeza akabva
akatora.

Ndakapinda mubathroom ndikatanga kugeza


zvangu.Ndakabuda mumba mava nenoise
ndakaziva team renoise ana Ranisha
rasvika.Mai Kikie vakapedza kubika chikafu
tikadya pamwe chete.

"But Rutendo anofana kudzidza kuno" said


Ranisha.
"Nyaya yacho ndakamboitaura Mai Kikie
vachiramba.Don't worry mangwana
ndichanotsvaga nzvimbo yake pachikoro
pauri kunodzidza Ranisha"

"Rutendo ane musikanzwa anofana kugara


namhamha"said Mai kikie

"Togara navo ninez vangu"

Ndakabuda ndikasiya vasikana vachimboita


nyaya dzavo.Ndakanogara zvangu kuseri
kweimba ndichifunga kuti ndoita sei kuti
nditenge chigayo nekuti mari ndaiva
ndisisina kwava kungomirira pay.Muchato
wakandidyira mari yakawandisa.Ndakaona
paside pangu pagara Ranisha.

"Bro kutaura shuwa pana Ruvimbo


mazviwanira mkadzi.Ndomufarira ndikaita
mari ndoda kumutengera something
chekumutenda nacho"said Ranisha.

"Okay don't worry lil sis.Iwewe next week


wakuenda kuchikoro ita serious
nechikoro.Vakomana unozoitawo wava
nesomething chaunoitawo
muhupenyu.Handidi kuti uzodepender
pamurume.Tevera tsoka dzasis Rita" i said.
"Mkoma Larry kubva maita samhamha
kudaro"

"But mashoko angu materere "

"I promise bro i will never let you down"

"Good girl"

Mazuva akafamba imba yataivaka kumusha


yanga yakutopera.Mai Kikie vaiswera
kusaloon kwavo zvinhu zvaifamba.NaDr
Nayaki taiwirirana zvedu big time.Mwana
wamai wangu aichengetwa zvakanaka
ndaiona nematama.
Deviya handina kubvira ndakamuona
ndakanzwa nemakuhwa kuti anga akaroorwa
neumwe teacher.Uyu Joker ndaingomuona
achingombeya asi ziso rake raisabva
pamukadzi wangu.Rimwe zuva ndakasvika
Joker ari pasaloon paMai Kikie.Handina
kutaura chinhu ndakaramba ndakanyarara
ndinogara mumota mangu.Mai Kikie vakauya
mumota.

"Ko ari kudei"

"Daddy maswera sei".


"Rue pindura zvandabvunza"

"Auya nemusikana wake akuda kurukwa


handina kumbotaura naye ini" she said.

"Okay bbe ndine jealous hangu handidi


kuona munhu pedyo newe".

"Kana neni futi I hope hapana akuripota


achidya mahalf angu" said Rue akanditarisa.

Joker akabuda musaloon nekamusikana


kaiva nenhumbu.Ndakaona ari Mona mazera
ana Tamia ndakakanzwira tsitsi.
Mwedzi dzakapindana ninez Rutendo
vakauya vakatanga kuenda
kuchikoro.Chandakafarira pavari munhu
aiterera nekunzwisisa.Imba yana mhamha
yakasvika pakupera ikatoswa magetsi.Rue
mari yake yekusaloon aichengeta aiti anoda
kutengera mai vake imba.Ndakazama kuti
ndimubatsire akaramba hanzi ndoda
kushanda mari yangu ndoda kutengera mai
imba nemari yandashanda
ndega.Ndakazokwanisawonkutenga chigayo
changu.

Pakapera makore matatu achiunganidza


mari.Akatenga imwe imba yanga ine 7 room
mutown yanga yakanaka
zvayo.Ndakazomubatsira kupedzisa sezvo
yanga isichakwani.Iye akabva atanga
kuendawo kunoita course yake.Achipedza
kuita course akambogara pamba dzinenge 5
months achitsvaga basa.Ndakazotaura naDr
Nayaki vakandiitira link rekuti Mai Kikie
vawane basa....

*The end*
_Namo Amitabha_

*Special thanks kune vese vaipa


macomments pabook iri.Nevaishare
book.Ndisingakanganwe vaipa munyori data
kuti book rienderere mberi.My lil sis Memo
thanks nekugona ku edita.*
Thanks besty wangu Kikie & twin Pee
nevamwe vose mazita handingamapedzi
ose.

My bro Lority

#PDF CREATED BY LORITY ARTS#

You might also like