You are on page 1of 642

🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽

COLLABORATION STORY
BY
LEE aka MAI RYAN
📞+2760478887
&
💋 NATTY💋
📲0713064191

CHAPTER 1
NYARAI

It was on Friday zuva rakacheka nyika kupisa


zvekurova nhongonya chaiko waingonzwa
nyenze dzichiimba mimiti , hapana kana munhu
wawaiona achifamba munzira nekupisa kwaiita
zuva ...vanhu vose vakange vari mudzimba
dzavo,kusara kwemombe dzaimhanyisana
dzakananga kunonwa mvura kunzizi..seni
zvangu Nyarai ndakange ndakaita zvekuto
zvambarara pamumvuri nemwana wangu
Blessing uyo akange akatovata zvake...

"Iwe Nyarai!!!!"

"Mhaaa"

"Huya kuno"
Vakange vari gogo vangu vakange
vandishevedza ndakangosimuka ndokuenda
kuimba yavo yekurara mavakange
vari,ndakasvikogara zvangu parupasa pavainge
vagere vachisona hembe yavo

"Matii gogo?".

"Enda unondicherera mvura inotonhora


kutsime ndinoda kugeza ndanzwa nekutsva".

"iii Gogo kuri kupisa kunze uku madii matora iri


muchirongo muimba yekubikira haisi kupisa
ndaichera makuseni" .

"Iwe zidzoro kufana Mai ndati enda


unondicherera mvura uko kwandataura
ndinorirova iri sei usinganzwisise"

Vakadaro vachibvisa chishangu chavo chaive


kugumbo vachida kundirova mumusoro mangu
ndakakasira kusimuka ndingadai ndakarohwa
zvangu ini.

Gogo vangu vaitonetsa kutaura chokwadi


nekupisa kwaita kunze uku ndonzi enda
kutsime futi dai zvainzi mumba makange
musina mvura zvainzwika hazvo ..mvura
yakange itorimo zvayo ndainge ndamukira
patema chaipo kunoichera ndaisada kuchera
kuchipisa.

Zvisinei hapana chandaikwanisa kuita dai


vainge vari nyakundibereka vaindinzwisisa.
Zvino vakange vakatorwa naNyadenga vangu
amai.Zvababa hapana ayiziva nezvawo zvayinzi
amai vakafa vasina kutaura.Pafavakafa
ndikatanga kugara nagogo mai vamai vangu
ivava. Ndaigara navo zvakanaka kwa Murehwa
vakatozotanga kundishungurudza pandakange
ndomitiswa nemumwewo mukomana.
Gogo vakange vondibata rough dai ndakange
ndiine kwekuenda ndingadai ndakaenda kare
zvangu ...Dai zvainzi kumitiswa kwacho
ndakaita zvekuda zvaive nani ndakatoita
zvekubatwawo chibharo nemumwe murume
ndichibva kuchikoro ayive akavhara kumeso
zvokutoti handina kumbokwanisa kuona kuti
ayive ani . Nhumbu ichibva yatobata mufunge
murume iyeye akabva atotiza ahana
kuwanikwa.Apo ndaive ne16years.

Akandikanganisira hupenyu hwangu nekuti


chikoro chacho ndakabva ndasiya pandakange
ndave nenhumbu ndokugara zvangu pamba,
ndichibva ndazozvara mwana wangu
ndikamupa zita rekuti Blessing..magariro
andainge ndoita pamba pagogo chitaurirwa.

Anyway ndakangotora mugomo ndikabereka


mwana wangu kumusana akange atomuka
zvaisaita kuti ndimusiye because gogo
vaisatoda even kumubata chaiko.Bee akange
atoti kurei zvishoma ndakange asi ndaive
ndisati ndamusiyisa mukaka nekuda kwekuti
payive pasina chikafu chakanaka.Ndayitya kuti
anozoita kwashu ndizvo zvinhu zvayindimisa
kumubvisa pamukaka.

Ndakatakurana nemwana wangu ndokubva


ndaenda kumvura ipo pasi paiita kupisa zvapo
ndakange ndisina kana shangu kugumbo.
Zvibhutsu zvangu zvandakange
ndakatengerwawo na Peter zvainge zvasakara
ndakange ndisisinawo kana ,so ndaiita
kufambira mumahuswa mu side menzira kuti
ndisanyanye kutsva
zvakanyanya..Kwataicherera mvura paitove
nekamufambo ko ndaigoita sei hapana, ndave
kuda kutosvika kumvura ndakabva ndati dhuma
dhuma na sahwira wangu Chipo.
"Ko kutozoenda kumvura kuchipisa kudai
kwakanaka here asikana Inga ndakuona
uchichera makuseni seni yanga yatopera Kare
here?

Akadaro Chipo.

"Inga unoziva wani chembere yandinogara nayo


inonetsa iyi dai Peter anditora zvake isare yega
musi wandinonzi ndaenda kwa Zuze inosara
ichindifunga.
Ndakadaro tichibva tarovana zvedu maoko na
besty wangu ko tainzwananaka isu .

"Shamwari ukutodaro zvako pane nyaya hombe


izvezvi ndiri kubva kumhiri uko kwana Peter
kunotora Mari yamhamha.

Akadaro akanditarisa

"Inyaya yeiko asikana watanga tunyaya twako


hatupere uneipi yauri kuda kundibatisa shaa
nhasi ndimi vema dot com ka ..l know you
watoremerwa so"

Akatanga zvake kuseka Chipo ko ndiye


aindibatisa yeseka yaiitika muvillage because
handaifamba ndaingoswera ndiri pamba ..gogo
vaisatondibvumira zvekuenda kumaraini.

"Maimwana pakaipa it's a long story inotoda


nguva nyaya yacho iyoyo.

"Ndeyei asi Peter atizirwa here?..tell me the


truth asikana"

"No shaa rega tigare pamvuri apa ndingoti turu


zvishoma ndozonyatsokuudza manheru
pandiouya kutandara kumba kwenyu".

"Ok Chipo ingoti gagaga unongoziva chembere


iye ikanditevera hazvipere mushe".
Ndakabva ndamupa mugomo wangu ndokubva
agarira ini ndokuwaridza kazambiya tikagara
zvedu pamumvuri....

Kahana kangu kakatanga kurova nechekure


ndisati ndaudzwa nyaya yacho ndakabva
ndanyatsovhura nzeve ndikaisa pfungwa
dzangu pamwechete Chipo ndokubva ati

"Ok Nyarai nyaya iripano ndeyekuti......."

End of Chapter
Inyaya yechii yakaudzwa Nyarai.

Let's find out on the next Chapter.


Don't miss it.

Mai Ryan and Natty we loves you all 😍


Stay tuned

CHAPTER 2 ⃣
NYARAI

"Ndichingosvika chete pamba pana Peter amai


vacho ndokubva vanditambira nemashoko
asingaite asikana"...

Akadaro Chipo hanayangu ikatanga kurova


zvakanyanya pandakangonzwa nezvaamai va
Peter .

"Vakutambira nemashoko ekuti chii nhaiwe'.

I said this ndatononokerwa nekunzwa nyaya


yacho ini.

"Maimwana pakaipa vanyatsonditi


wagona wasvika kuno Chipo ndaitokutsvaga
nemaziso matsvuku chaiwo ndiwe
unoshamwaridzana na nemvana yekwa
Masiziva ichokwadi here chandakanzwa kuti
anodanana nemwana wangu".

Maimwana ndavarambira ndikati hapana


chandinoziva ini motobvunza iye mwana wenyu.

"Vabva vati kudii nhaiwe".

Her:"Ndavarambira ini vanyatsoti kana


achidanana nemwana wangu tell her asiyane
naye pachine nguva mamwe mashoko avataura
askana handikwanise kukudza andibata pafair
vataura zvavanoda Nyarai zvekuti ndabatikana".

"Ndiudze zvese Chipo vanyatsotii mamwe


mashoko acho".
Ndakadaro misodzi yakange yatojenga
mumaziso angu

Akange achitoda kuramba kundiudza


ndakamunyengerera achibva azonditaurira

Her:"Mashoko akataurwa namai va Pater


akandibaya pamoyo chokwadi vanganyatsoti .
"Mwana wangu ahangadanane nemvana hure
chairo rakapihwa mwana kubhawa ndiye
wondosekerera here pandinosangana naye
hapamere huswa ngasiyane nemwana wangu".

Zvakaoma chokwadi kuva mvana yaive mhosva


here chakanyanyondirwadza inyaya yekutaura
kuti ndaive hure ndainge ndakapihwa mwana
kubhawa .Ini ndisingatozive kuti musiwo
webhawa wacho uripi.

"Ko zvawave kutochema nhaiwe Nyarai


ndosaka ndanga ndisingade kukuudza .

Akadaro Chipo ndokubva ndatanga kupukuta


misodzi yangu.

"Zvandirwadza asikana hapana chakaipa


ndinosiyana na Peter wacho it's not a problem
ndinoita sekuda kwavo".

"Haiwawo uchivajaidzirei kudaro nhaiwe as long


as iwe uchidanana na Peter muchinzwanana
henyu hamungarambaniswe namai vaya shaa
ndiwe unenge uchizopinda navo mu gumbeze
here? Usazvidye hako moyo Peter anokudisisa
uya."

"But zvakangooma askana zvandibata .

"Don't stress yourself dia vachazokufarira chete


..chienda kumvura na gogo vaya ungazopinda
pama1.

"Ok Chipo tinobatana waita hako.

Takabva taparadzana neshamwari yangu


ndokuenderera nerwendo rwangu rwekumvura ..
Nekuda kwandaita Peter sure amai vake
vondiudza kuti vainge vasingandide zvakaoma
hazvo..ndainge ndatofara kuti ndawana
mukomana chaiye akange akandidawo ndine
mwana wangu ,mufaro wese wakabva wapera
kuti hwaa zvawo

Ndakange ndakutofunga zvekuti ndisiyane


zvangu naye ini amai vake zvavakange vasina
kuzvifarira zvekudanana kwandaita nemwana
wavo.

Iye Peter saka akange akandinyeperaka kuti


amai vake akange akavaudza about me vainge
vakatobvuma kuti ndive muroora wavo ..akange
akandinyepera why ..l was hurt l don't wanna lie .

Anyway ndakasvika kumvura ndikachera


ndokudzokera zvangu kumba pfungwa
dzaingofunga zvandainge ndaudzwa na Chipo
hazvina kana kubva mupfungwa dzangu..Peter
akange akandida sezvandiri ende aitondiratidza
kuti anondida mwana wangu chaiye
aitomutengerawo tuhembe achiti awanewo
chekupfeka ndaitonyepera gogo kuti ndaita
maricho ariiye Peter akange atenga zvake
.Kudanana kwandaita naPeter kwainge kuri
kwemuchihwande ndaisada kuti gogo vazvizive
vaisatomboda kunzwa kuti ndaita mukomana
handizivi kuti pazvakange zvozivikanwa
nevanhu vakazvisvitsa kunamai va Peter
vakange vasisazosvika here Kuna gogo
ndakatotanga kutya zvangu ini ummm
ndaifanira kusiyana nazvo zvangu
Ndakasvika kumba ndikapa gogo mvura vainge
vandipopotera futi vachiti ndainge ndanonoka
ndichiitei ndakangovanyepera kuti ndaige
ndawana kwakazara kutsime nevanhu zvaisaita
ndivaudze kuti ndaige ndanonotswa na Chipo
achindiudza nyaya yamai vaPeter yavakange
vataura..

Ndakaswera ndiri worried zuva rese kana kudya


chikafu chemanheru handina ndakatotadza
kuchimedza pandakangofunga mashoko
yaamai vaPeter ..ndakange ndatoti ndawanawo
munhu anochengetawo mwana wangu iye Peter
wacho akange atotiwo pasara mwedzi
mishoma yekuti andirore zvino namai vake
zvaibuda here pakaipa..
Ndakange ndanonokerwa nekuonana na Peter
kuti ndimuudze mashoko andakange ndaudzwa
na Chipo aya ...Kuonana kwataiita ndiye aitouya
kumba kwedu ari manheru ndomupinza
muimba yandairara, gogo hapana kana nezuva
rimwechete zvaro ravakange vamuona aitouya
varara taingogara tiri vatatu chete murume va
gogo ainge akafa..

Peter aiuya after3 days apa akange achitouya


arimangwana acho ..Zuva remangwana racho
akauya zvechokwadi ndakangonzwa kuvhurwa
kwe door zvishoma nezvishoma ndokubva
apinda hake ..akabva auya kumagumbeze
kwandakange ndakarara chakamushamisa
handina kana kumutambira semutambiriro
wandaisimuita mazuva ose
End of chapter 2

Stay tuned

CHAPTER 3 ⃣

" Babie nhasi kwakanaka here kwawango


ramba wakarara kunge usiri kundiona".

Ndaive ndakarara ndakabva ndamuka


ndakayita zvekugara.

"Eh kwakanaka wayida ndidini"


"Zvaunosimboita babie kundimhanyira
wondimbundira wondinama nekiss padama .
Uchindiudzawo mashoko anonyorovesa moyo
wangu"

"Mazuva haafanane umwe wangu"

Akabva auya kuzogara pamachira pandaive


ndakagara.Akandibata maoko apo akanditarisa
mumaziso chaimo. Zvainoneka kunyangwe
mayisave necandle asi maive nelight remwedzi
waivheneka nepawindow.Ini panguva yacho
ndayitonzwa kuda kuchema
chaiko .Ndichifunga mashoko amai vake.
" Kunyangwe zvikanzi mazuva haafanane asi
hausi kumboratidzawo kufara kuti ndauya
.Kutoita kunge tavane mazuva tichionana ini
ndaive ndisipo.Asi wakawana zvimwe kani"

"Hezvo ndiko kwatove nenyaya yacho"

"Eh babie ,taura neni sei usina mufaro


ndinokuziva Nyarai uri mumhu anogara
achisekerera . Kunyangwe ndikauya kuno ndine
stress yakanyanya ndinodzokera yose
yapedzwa newe.Ndiwe musakisisi wemufaro
wangu."
"Usadaro Peter ini nezvako handichada
ini.Handidi zvekuzoyeuka bako ndanaiwa."

Him: " Haurevesi handi"

Me: " Ndiri kutorevesa Peter better tisiyane


hedu".

Him: "Hezvo ko ndaitasei babie .Inga


ndinozama wani nepandinogona kuratidza kuti
ndinokuda.Zvino ndaparei zvawave kundiramba
nhai Nyarai."Hauzvione here kuti ndinokuda
unodirei kundirwadzisa kudaro"
Aiyive atojenga misodzi mumaziso
ndakazviona nekuti ayive azobatidza torch
yefoni yake. Zvakandipa kuchema .Ndakabva
ndatanga kutaura ndichichema kudaro.

"Ndinozviona Peter asika hauna kudonha kubva


mudenga, wakazvarwa iwewe. Saka kana mai
vako vasingandide ndingayitewo sei.Zvirinani
tisiyane hedu pachiri pedyo"

"Wakazvinzwepi zvekuti mai vangu


havakude.Vanokuda vakatomirira muroora
wavo.Ndatouya kuti ndizotaura newe kuti ndave
kuda kuroora ,iwe ndipo powoti hauchada."
Me:"Usade kundinyepera Peter ,mai vako
havandidi .Vakatoudza Chipo musi uno kuti
ndisiyane newe.Ini ndaona kuti ndigare
ndasiyana newe hangu.Handidi zvekuzodemba
mangwana.Hanzi ndamba kuudzwa
akawonekwa nembonje pahuma."

"Hakuna zvakadaro ini newe hatife takarambara


kunyangwe zvidini.Ndinokuda Nyarai kana vari
mamha vanotaura kudaro nekuti havasati
vagara newe.Ndakakuroora wakagara navo
vachiona moyo wako wakanaka vanochinja
honey ,trust me."

Me:"Kuti kudaro here honey ,ko zvakazochinja"


Him:" Zvinochinja babie ini newe takangobatana
chete hapana anopinda pakati pedu."I love you
Nyarai.

Ayindipukuta misodzi nemaoko ake, neniwo


ndichipukuta wake takabva
tagumbatirana.Takayita chinguva takadaro
hana dzedu ndidzo dzayingonzwika kurova.

Me:"I love you too Peter"


Him:"Thanks babie, ndatouya kuzotaura newe
zvekuroora." Ndichatuma munyai kuti azopihwa
list .Kupera kwemwedzi ndinenge ndichitobvisa
mari yatovepo"

Me:" Horaity my love dai mai vako


vakasazongoramba vakaomesa moyo"

Him:" Ndinovaziva vamborambe vakakumaka


babie ,zvichapera .Ndinoda kuti kubva nhasi
wakanzwa zvavanotaura usagumbuke uye
urase pfugwa yekundiramba nekuti
wakandiramba hangu ndinozviuraya ini."

Me:"Nhema dzako washaya zvekutaura here"


Him:"Shuwa babie iwe naBlessing ndinokudai
zvokuti"

Me:" Hoo"

Him:"Yaah , muplatsic bag randauya naro mune


maapple nemayourgut.Ndezvako naBee"

Me:"Thanks my love"

Takabva tatanga kupanana hedu rudo


semazuva ose.Ende hapana andayida kuti azive
nezvazvo nekuti vanhu vanenge vave kuda
kuzviita vazivi zvakanyanya.Patakapedza
kupanana rudo takazorara hedu
takakochekerana nemudiwa wangu kusvika
kuyedze .Akafumo bata jongwe muromo
kuyenda kumba kwavo kuyitira asawonekwe
nevanhu.Ini ndakazomuka hangu zuva ratobuda
ndayinzwa kuneta nesex. Vangu ambuya
vakati vopopota.

Gogo:"Inguva dzekumuka here mwana


waJohn.Saka dai uyine kumba kwako
wayimuka nguva dzino.Akatogona iye akabata
chibharo ayive akatozvoona kuti haukodzere
kupinda mumba iwe.Ndiyani anoda nyope
yakayita sewe .Uchachemberera pano nehurezu
hwako ihwohwo.

Me:"Hurezu hupi hwamunotaura nhayi


gogo.Inga zvose ndini ndinoyita pano imi
makagara"
Gogo:" Saka wayida kushandirwa neni nezera
rangu rino"

Me:" Ayiwa ndiri kuda kungokuonesai chete


pamati ndine nungo. Ini ndirini ndinoshanda
pano.Ende handichemberere pano nekuti ndave
kutoda kurorwa "

Gogo:" Kkkkk ndiyaniko anodawo kuzunza


sanzu nemashizha aro iyeye azvipira hake"

Me:"Muchamuona henyu ati achatuma munyai


wake pano"

Gogo:"Zvauri kutorevesa nhai iwe, rega


tigotenda dzanwa dzaswera nebenzi.Chiyenda
unogeza unwe cup yetea .Ndinoda
unonditambirira chibage hanzi chakauya
chemachembere unotakura chitupa changu"

Me:"Panotoda bhara zvino ndinoriwanepi"

Gogo:"Hameno unongowonawo zvekuyita


waveko handi wati une mukomana ,anokoniwa
kukupa $1 rekukwidza here."
Me:"Akakuudzai kuti murume ibank ndiyani nhai
gogo"

Gogo: "Haiwawo umbori naye here.Chiyenda


wakaupedza nguva zvanzi na9am ndanzwa
mupurisa wasabhuku achishevedzera"

Me: Ok

Ndakamhanya ndakanogeza ,ndichipedza


ndakagezesa mwana wangu.Ndaive ndisina
wekumusiira kaitove kachikwama
kangu.Ndakanwa tea ndakabva ndayenda
kumashops kwaive kwataurwa.Patori
nekamufambo.Ndakayenda ndichifambisa
sezvo nguva dzaive dzatofamba.

Ndakasvika vanhu vave


kutotambira.Ndakamirirawo kuti zita ragogo
rishevedzerwe.Parakashevedzerwa ndakabva
ndayenda ndakanovatambidza
chitupa.Secretary wacho ayive mai Peter
vayingonditarisa neziso reruvengo
chairwo.Zvisineyi ndakapihwa tsaga rangu
rechibage ndakarizvuva kuriyisa paside.Nhamo
yanga yayekuti ndochitakura neyi sezvo ndaive
ndasiya bhara.Vamwe vayikwidza
muzvikochikari ini ndaive ndisina mari yacho
yekukwidza.Ndakagara hangu pamusoro
pechibage , ndakabata mwana wangu
mumaoko.Vamwe vamai vechikuru vemuraini
medu imomo vanonzi mai Maruza surname
yemurume wavo.Vakabva vasvika vakagarawo
paside neni vakagarirarowo chi50kg
chechibage chagogo.

Mai Maruza:"Nhaiwe Nyarai unoziva ndayikuona


semwana akadzikama izvo imbwa nyoro ndidzo
tsengi dzematowo"

Me:"Ko ndadii nhai asi munondishura".

Her:"Usambode kuchenama hako nyaya yako


ndakuyiziva. Unopota uchitora varume vevanhu
uchirara navo , ndazviona nhasi"
Me:"Mazvionepi zvamuri kutaura ini chaiye
kurara nevarume vevanhu kuti zvadini"

Mai Maruza:"Usade kuramba nhasi chaiye


ndaona murume abuda mumba maunorara.
Chete ndanga ndiri kure handina kunyatso
kwanisa kuona kuti ndiyani".

Ndakabva ndatoziva kuti Peter


awonekwa.Ndakaramba ndakanyarara
ndashaya kuziva kuti ndovati kudii.Ndiri munhu
asingagone kunyepa saka ndakatoona kuti
kunyarara kuri nani.
Mai Maruza:" Siya tsika yako yauri kuyita Nyarai
rine manyanga hariputirwe nerimwe zuva
zvichabuda chete.Varume vevanhu hapana
zvavanombokupa asi kukutambisa chete"

Vakabva vasimuka vakayenda.Zvekutaura


nevanhu ndayisada hangu.Iye ayimbenge
ambovaudza kuti murume wemumhu ndiyaniko .
Asi zvandiri mvana handikodzere kunyengwa
nevakomana here.Maybe hazvikodzere ndosaka
mai Peter varikuramba kuti ndidanane
nemwana wavo.Ndizvo zvandaive ndofunga
hangu ndakagara .Pakabva pasvika Tapiwa
wekumaraini kwedu.Murume atori nevana vake
two . Mukadzi wake akamuramba ndokusiya
vana zvese saka ndiye ayichengeta vana vake
pamwe chete namai vake.
Tapiwa:"Nyarai ko uri kuramba wakagara ipapo
nenguva yawatambira chibage ungadai
watosvika kumba kare".

Me:" Ndinochitakura nei nhai Tapiwa ,Handina


kuuya nebhara ini"

Him:" Isa muchikochikari wozondipa dollar


rangu. Kana watadza kundipa unouya woita
maricho kumba kwedu"

Me:" Wayita hako , ndinouya hangu


ndorishandira dollar racho"
Ndakabva ndasimuka paye.Ndakatanga
kubereka mwana wangu .Pakarepo mai Peter
vakabva vasvika.

Mai Peter:" Ndivo varume vanoyenderana newe


ava. Wosiyana nemwana wangu
Nyarai.Haunyare here mvana yakaita sewe
pamwana wangu Jaya.Mwana wangu otanga
kunzi daddy nerumwana rwako , unoona
zvichiita.Kwangu kumba haukusvike iwe better
kutosiyana hako nemwana wangu.Tapiwa wona
kuti madanana here nerwumvana
rwekwaMazisiva urwu rusiyane nemwana
wangu".Imi munoyenderana nekuti mese mune
vana."

Ndaive ndamira zvino vachitaura kudaro.Apo


ndichisvusvidzira mwana wangu ayive
ochema.Inenge yanga yatove nzara
chaiyo.Mukaka wacho waive usisabude
nekushaya chikafu ndaive ndadya kuseni
chete."Pavakapedza kutaura vakabva vayenda
takasara takangotarisana naTapiwa uye"
.Hapana akataura neumwe kwechinguva.
Ndayimuona hangu kuti ayida kubvunza asi
ayishaya matangiro uye handina kuda kumupa
mukana iwoyo.Panguva yacho kana kutaura
ndayive ndisisade ndayinzwa moyo wangu
uchiita kurwadza plus nyadzi chaidzo
dzekusvoorwa neumwe mukadzi akayita seni
pamberi pemunhu rume.Tapiwa paayive oda
kushama muromo ndakabva ndakasika kutaura
ini kumuvharirirdza.

Me:" Ngatibatiranei tinochikanda mungoro


macho"
Him:" Yaah handeyi"

Akabva abata rimwe side ini rimwe


takanochiisa mungoro yekumba kwavo.Yaive
yatozara nezvimwe zvibage
zvevanhu.Yakatanga kufamba ngoro isu vanhu
tichitevera mumashure mayo netsoka .Vanhu
vayitaura nyaya asi ini ndaive ndakanyarara
kana nechandainzwa hapana.Pfungwa dzaive
dzopishana .Ndaive ndisisazive zvokuyita kuti
ndosiyana naye here kana kuti toramba
tichidanana.Uye ndaisaziva kuti gogo vangu
vachazvitambira sei ......
End of chapter 3

💋NATTY💋&MAI RYAN LOVES YOU ALL😍


CHAPTER 4
PETER

Ndiri mukomana ane makore 28 uye ndiri first


born yamai nababa Zuze.Mumba medu
takabarwa tiri four.Vakomana vaviri , vasikana
vaviri.Kunotanga ini kotevera Paul ane 26
years ,atove nemukadzi nemwana wake one
anonzi Takudzwa.Anogara kuHarare nemhuri
yake.Number three musikana ane 20 years
akarorwa zvekare atove nemwana wake
kamukoma Tinashe.Last born musikana ane 16
years uyo achiri kuchikoro anonzi
Pauline.Mokore ayive afamba ndisina mukadzi
kwete kuti ndayivashaiwa asi kuti ndayiona
vasina kuvimbika vayingoda mari yangu
chete.Ndayishanda basa rekudriver matruck
asi rakazopera murungu wacho
wandayishandira muridzi wematruck ayive
afa.Saka pakasara vana vake vakomana zvinhu
hazvina kuzombofamba semafambiro azvayiita
muridzi aripo.Vaive vonetserana pfuma yababa .
Ndizvo zvakazokonzeresa kuti ndipererwe
nebasa.Musikana wangu andayidanana naye
akabva andiramba pakapera basa.

Ini hazvina kundirwadza hangu asi ndakatenda


Mwari kuti zvaive nechinangwa .Dai
ndakaramba ndiri pabasa ndakatorora mukadzi
asingandide asi anoda mari yangu.Ndipo
pandakadzoka kumusha ndakatanga kudanana
naNyarai.Nyarai musikana akanaka pachiso ane
body iri pakati nepakati. Uye ndakamudira moyo
wake une rudo.Anotoratidza kuti iwife
material.Dambudziko riri pana mai
vangu.Ndaive ndakavaudza kuti ndayive
ndodanana naNyarai vakaratidza kusazvifarira
nekuti ayive nemwana.

Ini zvokuti ane mwana handina basa nazvo


.Ndayitoziva kuti kwaive kusada kwake uye
mwana haatadzise vanhu kudanana.Ndayimuda
zvese nemwana wake ndaive ndazvipira hangu
kuyita step daddy.Zvino mai vangu vayiramba
vakatsika madziro kuti havamude.Ini hazvina
kunditadzisa kuda Nyarai vayizowirirana havo
vakugara vese.
Mari yangu yaive yatokwana yekuti
ndichinoroora Nyarai .Ndaive ndisisina basa
svinu .Pandakapererwa nebasa rekudriver
matruck ndakamboyedza kutsvaga rimwe basa
mumacompany asi zvakaramba.Ndakaona kuti
ndakaramba ndakagara pamusha wamai
nababa zvayisabuda.Ndosaka ndakazongoti
chamuka inyama ndakatanga kuyita garden boy
kuAvondale.Kamari kacho kaive kashoma asi
zvayisayenzana nekugara.Pamari yekuroora
daddy vaive vakati vachandiwedzera saka
ndaive covered.Musi wandakabva kwana
Nyararai ndichisiya ndaudza Nyarai
zvekumuroora.

Zuva richibuda ndakabva ndananga kwasahwira


wekumba kwedu ndiye akamira
semunyai.Ndakamupira nyaya yangu akati
hapana chakaipa ave kutotanga kufambisa
basa zuva rayitevera racho.Ndakazobva ikoko
ndakaswera hangu ndakarara sezvo naNyarai
tayionana mahusiku chete ayitya vanhu
Nyarai.Nguva dzakadzoka mamha kuchibage
chemachembere ndakabva ndayenda kunotaura
navo nezvemunyai handiti ndakange
ndakavaudza Kare kuti nezvaNyarai ndaida
kungovazivisawo samai

Me:" Eh maswerasei muchembere"

Her:" Ndaswera hangu mwana wangu


waswerasei"

Me:" Ndaswera ini ,eh pane nyaya yandiri kuda


kutaura nemi.Ndinovimba kuti nyaya ya Nyarai
makutoiziva"

Her: " Kuiziva kwekuita sei kwauri kutaura"

Me: Yekunoroora kwana Nyararai, ndave kuda


kunobvisa manje ndibve mugota"

Her: "Yowee zvangu nhaiwe Peter unoda


kundiuraya here chokwadi ,handina kuramba
here kuti hazviite uroore mvana iyi..handidi kufa
mazuva angu asati asvika. Chokwadi
unondishurira mwana iwe kuda kundiunzira
mvana pano here chokwadi washaya vasikana
here Peter.Iko kusatozonyara kuti wave kuda
kubva mugota , unobviswa mugota nemvana
here Peter." Wadireiko kundiuraya nebp nhayi
mwana wangu"

Me:Mamha munoda nditaure kanganiko


ndakakuudzai kuti ndiye wandada
iyeye.Vasikana ndiri kuvaona but handivade
ndinoda Nyarai ndiye wangu iyeye.Munyai
achatotanga kufambira nyaya dzacho
mangwana saka imi motogadzirira kuti muroora
achauya anytime soon."

Her:" Ndati mvana handiyide pano asi kana wati


ndiyo yawada .Ayiwa rega ndizviuraye hangu
wosara uchigarika nemvana yako ini ndafa"
Ndakashamisika nemashoko amai vangu
.Shuwa kuda kuzviuraya nekuda kwaNyarai
here. Kumuvenga kwacho kwaive
kwakanyanya.Pakarepo daddy vakabva vasvika
vanenge vaive vanzwa zvese nekuti vakasvikoti.

Daddy: Aah iwe ambuya vaTaku rega kuyita


sepwere iwe.Unogoti unoda
kuzviuraya.Uchizviurayira kuti mwana asarudza
zvaanoda here" Chimbofunga kuti dai uriwe
wayirambwa namai vangu iwe uchindida
wayinzwa sei"

Her: Ini ndayisave mvana ini.Musade


kutombondifananidza henyu naNyarai.Haa uyo
bodo pamba pangu kwete ndakataura paya
saka handingachinje nekuti makuda kunobvisa
Mari iyo Mari yacho kana yakuwandirai batsirai
nherera mhani

Vakabva vabuda vakayenda kubedroom kwavo


vakanozvivharira ikoko.Kubika kwavaiyita zvese
vakasiira panzira .Pau ndiye akatozopedzesa .
Vangu baba ndivo vakasara vachindishingisa.

Him: Usavatevedzere mwanangu mai vako . Iwe


ita zvinoda hana yako.Vachazomuda havo
muroora wacho .Wataura nemunyai here.

Me: " Hongu baba achatanga kufambira nyaya


dzacho mangwana."
Him: Zvinokudzwa tinenge tichizongonzwa
kubva kwaari.

Me: Ndizvo chaizvo.

Sadza rakabikwa tikadya.Takanorara musi


wacho handina kuyenda kwana Nyarai
ndayitoziva kuti akaneta ndaive ndazvinzwa kuti
ayive ayenda kunotambira chibage chambuya
vake.Ndakarara hangu ,ndakatozomuka dzave
kuma9am mangwana acho.Ndakaona amai
vangu vachipinda kugate kureva kuti vayibva
kumaraini .Ndakatoshaya kuti vayibvepi
makuseni akadaro apo vachiyimba havo.
Munyai akazouya achitiudza kuti "list rasara
richinyorwa anzi ayizodzoka achitora papera
vhiki rimwe.....

*Nyarai*

Pandakasvika kumba ndakangosvika nekugeza


nekudya lucky gogo vaive
vabikawo.Patakapedza kudya ndakabva
ndanorara hangu.Ndayitove nestress
ndayitofunga kuti kuchingoyedza ndonotaura
naChipo. Ndigonzwawo mafungiro ake.Ini
ndayitofunga kusiyana naPeter hangu.

Mangwana acho ndakamukira kuyita basa rese


repamba . Pandakapedza ndakabva ndananga
hangu kunochera mvura.Nguva dzandakadzoka
ndakatsiga mugoro wemvura.Ndakanzwa
mazwi evanhu ayitaura muyimba yedu
yekubikira.Zvakatondinetsa kuti angave ani
makuseni akadaro.Pandakapinda mumba ndipo
pandakaona vari mai Peter.Hana yangu yakaita
kuti tsemu , ndakapotsa ndadonhedza
mugoro.Ndakatoziva kuti vaive vauya kuzotaura
nagogo nezvekudanana kwangu nemwana
wavo.Ende zveshuwawo vakabva vatotanga
kutaura.

Mai Peter: Zvawauya zvanaka Nyari rega ndibve


ndangotaura nyaya yandavinga pano.

Gogo: Kwayitikeiko.
Ini ndakabva ndatura mugoro uya
ndakaugadzika pasi. Ndakagara pasi hana
ichiita kurova.

Mai Peter: Eh gogo vaNyarie.Muchindiona


ndauya kudai ini handidi zvekunetsana nemi
.Kana murimi murikurudzira ruzukuru rwenyu
kuti adanane nemwana wangu . Ayiwa chibvai
matochera kakomba musvipire pasi nekuti
wangu mwana handidi aroore mvana ine
mwana wayo.Worse wemuno muruzevha asina
kana chikoro.

Gogo: Ichokwadi here kuti urikudanana


nemwana wavo Nyarie

Ndakaramba ndakanyarara ndaive ndotya kana


kupindura.

Gogo : Nyarieeeee.

Ndakayita kuvhunduka voice ragogo vangu


raive rapadenga manje.Ndayitovaziva kuti kana
vadaro vanenge vagumbuka.Kana huni iri
mumoto unogona kungotemwa nayo.Ndayitove
nechivanga chavakambonditema nesando
ndadyisa mugarden nembudzi.Saka
ndakatoziva kuti vagumbuka.
Me: Mhaa

Gogo:Ndati hausi kundinzwa hereeeee.

Me: Ndiri kukunzwai gogo.

Gogo: Chipindura.

Me: Hongu gogo ndinodanana naye.

Gogo: Unodireiko kundivenganisa


nevavakidzani iwe.Unoona uchiyenderana
naPeter here.
Me: Handi ndiye akandinyenga.Ndiye akanditi
anondida handina kuti
ndinomuda.Ndakazomuda kuti ndinomuda
mushure mekunge andinyenga.

Mai Peter: Gogo vaNyarai ini handidi futi


kudzoka pano nenyaya yaNyarai .Udzai
muzukuru wenyu kuti asiyane nemwana
wangu.Kana muchida kuramba muchitambira
chikafu chinouya mudunhu rino.Handi
munoziva kuti ndini secretary ndinozvivharisa
handinyore zita renyu .Munojambwa nezvese
zvichauya kubva kumbeu kusvika kufertilizer.

Gogo: Ayiwa usadaro mwanangu


zvinogadziriswa.Iwe Nyarai rega kudanana
naPeter.
Mai Peter: Kana munyai auya achida list
musamupe .

Gogo: Ndinoita sekudaro mwanangu.

Mai Peter: Good ndave kuyenda ini handidi


zvekuzodzoka futi pano nenyaya imwe
chete..kana Munyai achinge auya haikonai
kumupa list ndatopedza nemi.

Vakabva vabuda.Gogo vakabva vasimuka


pavaive vakagara vakauya pandaive.Vakatanga
kunditswunya nzeve vachiti" urwu rwumwana
urwu harunzwe ruchandivengesa nevanhu
munharaunda ino"
Me: Gogo kani murikudzikuvadza imi.

Takabva tanzwa voice rayishevedzera panze.

Voive: " Tisvikewo pano"

Gogo vakabva vakurumidza kubva pavaive vari


vachinditswinya vakadzokera kunogara pasi.

Gogo: Svikai henyu.

Munhu akabva apinda ayive


vaMaruza.Vakapinda vachiombera vakasviko
gara kubenji.Vakakwazisa gogo ndokubva
vazopinda havo munyaya yavo.Vaive vavinga
list reroora asi gogo vakangoti tichanyora
munouya kuzotora vhiki rinotevera.VaMaruza
vakabva vawoneka havo vakayenda sare ini
nagogo vangu vakabva vatanga kutaura.

Gogo: Hapana list randiri kumbonyora ini.Kana


vana sekuru vako handisi
kumbovazivisa.Wamunzwa muridzi wemwana
kuti haadi hake zvekuti uroorwe ikoko.

Ndakasimuka ndayida kubuda panze ndaive


ndonzwa kuzarirwa nezvaive zvichiitika
panguva iyoyo.Pandakati nhanho imwe chete
ndakabva ndatsikira zirokwe randaive
ndakapfeka ndakashaya balance ndiye gubhu
mvura iye yandaive ndachera.Mwana wangu
akabva atanga kuchema kudonha kwandakayita
ndaive ndakamubereka.

Gogo: Zvino waiteyi ,imba yose yazara mvura


mumba mawakabva kubikira matsito manje
manje.

Dzimba dzedu dzaive dzisina floor ndayitoita


dzekubikira matsito emashanga kuti mumba
musafanane nepanze. Zvino mvura yakakutuka
zvakabva zvakwatanuka
kwatanuka.Ndakanhoga mugoro ndakanouyisa
panze ini ndakananga mumba
mandayirara.Ndakatanga kuyamwisa mwana
wangu apo misodzi ichiyerera ndaive ndofunga
situation yandaive ndiri.Chipo akabva apindawo
panguva yacho.....
End of chapter 4
CHAPTER 5 ⃣

NYARAI

"Hesi kani Sahwi".

Akadaro Chipo achiuya kuzogara parupasa


pandainge ndakagarawo.
"Ndiri bho ini

Ndakadaro ndichinzvengesa chiso changu


ndichitarisa kunerimwe divi,misodzi
yakange yakajenga mumaziso angu
ndaisada kuti Chipo aiyioneka.

"Ko zvowoita kunge urikutochema


kwakanaka here Nyarai"

Akadaro achitondeudza chiso changu


ndainge ndafunga kuti zvimwe akange
asina kuona misodzi yangu..
Ndakatora chinguva ndisina kana
kumupindura zvangu ,shungu dzangu
padzakapera ndipo pandakatanga
kumuudza zvakange zvichindishungurudza
mumoyo mangu.

Ndakatanga kumuudza zvose


zvekusangana kwandainge ndaita namai
vaPeter nekuuya kwavakazoita pamba
nekuramba kwakaita gogo kuti ndiroorwe,
hapana chandakawedzera or kutapudza
ndakanyatsotaura chokwadi sekutaurwa
zvainge zvaitwa kana nekuuya kwakange
kwaita Munyai ndakamuudza
"Mai vangu soko kani inga zvakaoma nhai
..Ndatoonaka vaMaruza panze apo
vachitodzokera kumba kwavo .Zvatoreva
kuti hapana chabuda ndaona chiso chavo
chisina kutambanuka.
Zvandakakuudza zviye Nyarai ndizvo ita,Ivo
ana mai vedu ava kuda kuramba munhu
anenge adiwa nevakomana vavo. Handizive
kuti vanonzwa zvichiita sei,lta zvakaitwa na
Chiedza mwana wekwa Bhanda akaita
nharo wani akaenda mumusha wava
Tonderai asi akange asingadiwe iko zvino
avekudiwa wani'.

"Zva Chiedza zvinonzwika Chipo akange


arimusikana ka uye ini zvangu zvaipira kuti
ndiri mvana ndine mwana again saka amai
vaPeter that's why vasiri kundida".

"Zvine basa rei izvozvo Nyarai handiti Peter


ndiye arikuda kukuroora .

"Ehe ndiye Peter anotondida but ave kuda


kuvhiringidza ndimai vake

"Hazvina kana nebasa shamwari iwewe


enda chete,usatombotevedzera futi gogo
vako vanopenga ava tsve kuti vafare kuti
ukuda kuroorwa nemukomana chaiye
.Vavekuda kuti ungogara pano uchivaitira
basa ,hausi kuona here kuti ndiwe
unovaitira zvese pano saka varikutoti
ukaenda vanozoshandirwa nani,enda
unovaka musha wako shaa,you are very
lucky wakatowana zvako anokuda ari
pachokwadi again.. Tarisa inini
ndakarasiswa mazuva ekupedzisira
naChamunorwa akange akutoda kundiroora
ndokubva atizisa zvake mumwe
musikana.Usatevedere gogo vako chavari
kuda kushandirwa vasiye nemusha wavo
Nyarai, kana ivo amai vake Peter siyana
navo unotofanira kuvaudza kuti handisi
kuvinga imimi ndirikuvinga mwana wenyu
because ndiye akandida ..Kunana asekuru
vako unokuziva Nyarai padhuze apa
unoenda mangwana unovazivisa zvekuda
kuroorwa kwako l think ndivo vanhu
vangakwanise kukubatsira than gogo vako .
Varikuda kuti uchembere uri pano
uchivashandira ,hapana chavari kana
kukubatsira nacho vanotumirwa mari
nevana vavo kana cent zvaro ravanokupa
,hapana. Watotsvindira nekuda kwa
Peter.Peter anerudo newe Nyarai ,tarisa
akasarudza kukuda nemwana wako uyu.
Vashoma vakomana vanoda mvana ine
mwana wayo ,wakangotadza kuroorwa na
Peter warasikirwa my friend. Haufe
wakazowana anenge iyeyu,tingatozoona
waroorwa pachipari chaipo shandisa
mukana nguva ichipo..Unotofanira kutenda
Mwari nekukusanganisa kwavakaita na
Peter uyu .

Akataura zvakawanda Chipo zvekuti


ndakadzamisa pfungwa dzangu ndikaona
kuti mashoko ake akange akanaka kwazvo.
Ndaifanira kutongoziva kuti wandaiendera
kumba kwamai va Peter ndiye Peter
chete,zvechokwadi ndaitofanira kutoenda
kwasekuru kunovazivisa zvekuroorwa
kwangu.Gogo chavaida kungoda
ndivashandire chete vachigara futi
vachindishungurudza siku nesikati kana
vainge varamba kuti ndiroorwe vachiitira
kuti vapihwe fertilizer nechibage yakange iri
yekwavo iyo.Hama dzavo vakange vainadzo
vainopihwa ikoko ,ndaifanira kutoita musha
wangu zvechokwadi sekutaura kwakaita
Chipo..Chipo ndiye akaita kuti ndive
nehushingi zvichireva kuti vangarambe
kundigamuchira zvavo amai va Peter asi
pamba pavo ndaipaenda chete zvinenge
zvazoitikawo ndaitangira ipapo .
"Waita hako Chipo ndichatoenda ari
mangwana chaiyo kwa Sekuru zvino ndiri
kutoshaya kuziva kuti ndinobuda ndichiti
ndiri kuenda kupi kwacho.

"Ah nhaiwe Nyarai unosvikepi uchitya gogo


vako ava vataurire chokwadi kuti
zvamaramba ndavekuenda kwa Sekuru
ndivo vega vangandibatsire.

"Ok .

"Kana zvichiita ndinokuperekedza ndiri ini


mangwana acho.
"Ok unenge wagona hako because pane
kamufambo apa panotoda waunenge
uchitaura naye nyaya .

"It's ok unouya uchinditora.

Akabva asimuka zvake Chipo ndokubuda


tese gogo vakange vari mumba mavo
..ndakaperekedza Chipo hapana kure
kwandakasvika ndakabva ndadzokera
zvangu kumba .Chipo yakange iri shamwari
yakanaka dai akange ari mumwe munhu
angadai asingatode kuti ndiroorwe na Peter
semunhu akange akatorasiswa
nemukomana wake, shuwiro yangu
yakange iri yekuti azowanawo mumwe
aripachokwadi saPeter..

Zvisinei nguva dzakafamba ndiri pamba


zvangu gogo vainge vachingopopota
nenyaya yekuroorwa kwandaida kuitwa na
Peter uku vachiti ukuda kundinyimisa
chibage here,ndaisatombova pindura
zvangu ndaitove busy nezvandaiita.
Ndaitozovaudza zvekuenda kwasekuru ari
mangwana chaiyo ..Kunze kwakasviba
ndikanovata hope padzakange dzobata
ndipo pakabva pauya mudiwa wangu
Peter..ndakamutambira bho tikatanga
zvedu kukurukura nyaya dzakasiyana
siyana ..ndakabva ndamuudza zvekuuya
kwainge kwaita amai vake kuno akati ainge
atoudzwa navo kuti vainge vasvika kuno..

"Usavatevedzere chidochemoyo wangu


ukangoziva kuti uri kuvinga ini hapana kana
problem ndinokudisisa my love..
Akadaro Peter ndokubva anditsvoda
padama pangu ndichibva ndanyemwerera
...ndaidiwa mhani nemukomana uyu
zvakabva zvandipa ndisaterere mashoko
amai vake.

"So babe tochidii gogo vako zvavaramba


kunyora list asi munyai ati anzi anozodzoka
week rapera wani

Akadaro zvake Peter achiisa musoro wake


pachest pangu
Me : " Aah kwaniko Gogo ndizvo
zvavangomuudza asi vazosara vachiti
harinyorwe.Ndatofunga zvekutoenda kwa
Sekuru mangwana ini,rega ndisiyane
nezvagogo ava vasiri kuda ndiroorwe.

Apa ndipo pawagona ndosaka


ndichikuda..akadaro achibva auya
pamusoro pangu ndokutanga zvedu
kupanana love ko ndaigotadza nei kumupa
ini ndaiziva kuti ndiye atove baba vemwana
wangu ..taisatodyira sweet mupaper
because ndainwa mapiritsi,zuva iri ahana
kuvata mumba mangu akabva adzokera
zvake kumba kwavo ..
Zuva remangwana rakasvika
ndakafumobata jongwe muromo
ndokutsvaira chivanze nekusuka ndiro
ndakapedza ndokugeza ..gogo vakange
vachiri zvavo vakarara vaimuka nguva
yavanenge vada handiti vaiziva kuti ini chi
house girl chavo ndainge ndiripo zvino zuva
randainzi ndaenda kwana Peter vaizondi
funga havo .

"Gogooo!!
Ndakavashevedza ndiri pamusuwo wemba
yavo.

"Unoda chii makuseni akadai sei urikuda


kundikanganisa hope dzangu iwe

vakadaro vakange vatori nehasha kare.

"Sory zvenyu gogo ini ndakuenda kwa


Sekuru.

"Ukuenda kunoita chii here.


"Pane zvandiri kuda ikoko.

"Zvinengei nhaiwe zimwana iwe

Vakadaro vachivhura door vakange


vatomuka .

"Kana uchida kuenda kunovazivisa


nezvekuroorwa kwako shamwari usadzoke
pano inini zvemunhu ane nharo ndizvo
zvandisingade enda!!! .
Vakadaro ndokubva vadzokera mumba
mavo ndokubva vaita zvekurovera door
dzainge dziri hasha kaidzi zvakaoma
ndakatoseka zvangu ..pamba pavo ndipo
pandaidzoka vaitopenga ava ..

Ndakabva ndaenda ini mwana wangu


kumusana ndakasvika kwana Chipo ainge
atondimirira zvake..ndakasvika
ndichitomutora ndokubva tarova pasi
munzira taingotaura nyaya zvekuti hatina
kana kuona kuti tasvika sei kumba kwa
Sekuru.

Takasvikotambirwa zvakanaka
hedu..takakwazisana hedu nekubvunzana
hupenyu ndokubva ndati.

"Sekuru muchindiona ndasvika pano kudai


panenyaya yandauya nayo"
Sekuru vakabva vanditarisa vakange
vatoteya nzeve vachida kunzwa nyaya
yacho.

End of Chapter

Vakabvuma here sekuru zvavakaudzwa na


Nyarai.

Ngatinzwei pa next chapter.


Ma comments ndiwo anotipa Simba
pamberi nawo

🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

https://chat.whatsapp.com/HGJg23JSU9JEpW
7SLQsx3Y

*COLLABORATION STORY*

*BY*
*LEE aka MAI RYAN*
📞+27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*

*CHAPTER 6 ⃣*

*AMAI VA PETER*
"Munoipedza nguvaiko mibhedha yese
yemuriwo iyi muchidiridza mega kudai?"

Akange ari sahwira wangu Mai Susan akange


auyawo kugadheni kwangu kwandakange
ndichidiridza ndega zvangu.

"Ko ndingadii nhai asikana ndozviripo ..ndanga


ndichida kumirira kuzodiridza iri weekend
Pauline aripo zvino ndaona kuti kuzoona
weekend yasvika unenge waomerwa muriwo
wacho ,iye Peter ndashaya kuti aendepi
makuseni ano dai ndatouya naye".
"Aendaka kunokutsvagirai muroora kuti
muzobatsirwa kudiridza iro zigadheni renyu iri
rakakura kudai. Rinotoda muri vaviri kwete
munhu mumwechete.

Me:"Haiwawo ndiye acharoora here Peter uyu


vaakasira vese varoorwa nekuroora iye
achingoita kabasa kake kakadhakwa
kehugarden boy kana icho chaakauya nacho
hapana kana, ndiri kutoshaya kuziva kuti kana
iyo Mari yacho yaari kushanda ari kuisa kupi.
Chero hayo irishoma aifaniraka kuuya
akabatawo 2kg yesugar chaiyo..
"Hamusi kuziva kuri kuperera mari yemwana
wenyu here manje manje munenge matove
nemuroora watiri kungonzwa kuti vapengesana
,asikana makutobatsirwa basa soon nhamo
ndeyedu anamai Susan takazvara vanasikana
chete..kuzvarira vamwe zvakaoma".

Ndakagadzika chimugomo pasi


chandaidiridzisa ndokutarisana naamai Susan .

"Muroora upi nhai asikana wamuri kutaura"


Her:"Muri kureva kuti Peter ahasati akuudzai
waari kufambidzana naye here?

Me:"Ndinopika namai vangu vari pachuru .Peter


ahasati ambondiudza nyaya yamuri kundiudza
iyi

Her:"Bva regai ndinyarareka ndozonzi ndaita


makuhwa anozokuudzai ega mwana wenyu"

Me:"Aiwa asikana musadaro ,ndiudzei


musikana ari kuda kuroorwa nemwana wangu
kana chiri chokwadi aiwa Mwari vapindura
minamato yangu, ndaitoti mwana wangu
achatofa asina kana mukadzi".
Vakatora chinguva vachiramba kundiudza
musikana wacho ndivo vakange vauya nenyaya
yavo iyi vakange vakuramba futi
kutaura..Vakatozotaura zvavo patova paya kuti
Peter mwana wangu mukuru akandionesa
nhamo ari mucheche ndiye akange oda kuroora
zvayo mvana yekwa Masiziva..

Kana Simba rese rekudiridza randakange


ndiinaro rakabva rapera kuti hwaa ..kana
kamufaro kainge kave mandiri kekunzwa
kwandakange ndamboita kuti mwana wangu
ave kuda kuroora kakabva
kangoenda..ndakanzwa moyo wangu kupisa .
Me:"Unorevesa here Mai Susan kana kuti
urikuda kungondinzwa".

Her:"Haiwawo ndingagokunyepera sei pane


musi wandakambokunyepera here nhai
Shamwari.Ko kutozoita kunge usina kumufarira
Nyarai chii Inga munhu ari bho wani".

Me:"Usade kundinzwa iwe ,mwana wangu


aroore mvana sure?? nadha pachiputukezi
hazvife zvakaitika izvozvo anondiona nhasi".

Ndakange ndaita kunonzi kushatirwa chaiko


handina kuzopedzisa kudiridza ndakabva
ndatoenda kumba amai Susan vaingonditevera
mumashure .Vainditaudza asi ndaisavapindura
ndakazovaona voyenda nenzira yekumba
kwavo ..Ndakasvika kumba ndokuona baba
vake Peter vachitogadzira zvavo demo ravo.

"Matopedza Kare kudiridza

"Handina

"ko indava kuita sekunge makagumbuka


kwakanaka here asi masvika kuwana gadheni
rakadyiwa nemombe??.
Me:"Aiwa sekuru vaTaku ndinoda kuti mutsiure
mwana wenyu .

Him"Unoreva upi.

Me:"Iye mukomana mukuru wepano uyu


chokwadi angade kuroora mvana yekwa
Masiziva anyatsoshaya chii.

Him:"Wazviudziwa nani izvozvo ,ndizvo


zvawakagumbukira here musiyeka aroore
handiti ndowaada.. iwewe pawakada inini pane
akakurambidza here?

Me:"Ah kozvoomoita sekunge murikutomu


saidhira zvenyu asi munozviziva kani.

Him:"Ehe ndinozviziva hangu akandiudza Kare


Peter kuti anoda kuwana Nyarai .

Me:"Baba nemwana kundivanza kuti zvidi, ini


handigamuchire tsvina yakadaro pamba pangu
..kana makatoronga mese hazvisi kuzobudirira
Ndakadaro ndokusimuka ndikaenda kunosuka
zvangu ndiro dzandainge ndangosiya
pandainge ndaenda kugarden.Baba ava ndainge
ndatouya kuti ndivaudze vatsiure mwana wavo
ndisigazive kuti vakange vachitozivana
nemwana wavo.. zvino ini ndainzi Masibanda
vakange vasingandizive .

Ndakashaya kuziva kuti Peter vasikana akange


asingavaone here kuzoda kuroora mvana iyi
.Inga ku Harare kwaigara vakange vakazara
kwazvo chero kuno kwacho kumusha vakange
variko vaitoyemurika..No ndaitofanira
kumutsiura mwana wangu uyu zvandaida
ndizvo zvaifanira kutoita. Ndakaona nhamo
naye achingorwara rwara ndichifamba naye
mumaporofita. Ndaifamba naye ndiri one baba
vake chaitove chidhakwa zvacho.
Havaitobvuma kuti tifambe tese dai ndanga
ndisina kumira mira ndingadai ndichitotaura
dziri ngano soo..angadai asipo..

ZveMvana yake aitofanira kutoisiya kana vanhu


vemunharaunda vaigotii vakanzwa kuti
ndatambira Nyarai pamba pangu .Pfambi zvayo
yainge yakapiwa mwana ..lye Peter akange
atoshiga kudhonza sanzu rinemashizha aro
zvaisaita izvozvo ndiri mupenyu kudai, kana
anga asina choice ndaimutsvagira inini anoita.

Akauya zvake achibva kwainge aenda


ndakasvikomutambira nemashoko ekuti.
"Nhai mwanangu washaya wekuroora here Inga
vasikana vazere muno wani..watadza kuroora
musikana sezvakaita munin'ina wako here kana
akanzwa kuti waroora mvana angatadze
kukuseka here?.

"lmimi mhamha vana havafanane mumhuri


ndisiyei ndiroore wandinoda iyeye ndiye adiwa
nemoyo wangu .

Me":Tibvire apa wabve zera iwewe unofanira


kushandisa njere mhani chokwadi watoperera
Pana Nyarai.

'Him:"Ehe ndakatoperera soon anenge atove


pano chaakasiyana chacho chii nemusikana

Zvakaoma ndaiti achanditererawo Peter samai


vake ahana kana, ndakaedza kumuonesa as i
ahana kudzora moyo wake..zvainge asina
kunditerera ndaifanira kutoonana naiye Nyarai
wacho iyeye .Ndaifanira kutomuudza asiyane
nemwana wangu ..Kana akange adira mwana
wangu kuti ayende kunogara ku Harare akange
airasa pa fair .

Mazuva akafamba zvawo vanhu vemuraini


vose vaingonditi nemakorokoto Peter akuda
kuroora
hapana akange asingazvizive...zvakarwadza
mumoyo mangu dai akange ari musikana
zvaive nani..Peter akange azvisarudzira munhu
asingaite akange andinyadzisa muraini ..kuda
munhu aitonhuwa zvake huzvere shem idzo
mhandara dziripo ..

Zvisinei hapana kutora zvapo mazuva shamwari


ya Nyarai yauya pamba pangu .Nndakayiudza
kuti ataurire mumwe wake asiyane nemwana
wangu ,handina kuzotora zvekare mazuva
ndasangana naye Nyarai wacho
kuchibage..Ndakamuudziridza zvekuti kana dai
ari mumwe munhu aifanira kutosiyana
nemwana wangu nguva ichiripo zvekuti
azochema mangwana zvakange zvisingaite.

Nyaya iyi dzimwe nguva ndaitoiona sedambe ka


ndakatozoona kuti Peter akange atori serious.
Akabva atondizivisa nezvemunyai akange
achitoda kuenda kwana Nyarai .Zvakandibata
ndikapopota ,,baba nemwana vakaedza
kundidzora handina kuzvinzwisisa chandainge
ndisingade imvana iyi chete

Zvakandipa kuti ndiende kuna Gogo vacho ,


ndakasvika ndakapopota vakaedza kunzwisisa
zvandakafarira vakatotsiura muzukuru wavo
ndichinzwa ..moyo wangu wanga watobatikana
kuti mwana uyu auye pangu chokwadi here?

Ndaive secretary kaini vaizochishaya chibage


gogo va Nyarai vakaita zvekutamba neni ..
Ndakadzokera kumba ndakanovazivisa Peter
nababa vacho kuti ndainge ndaenda
kunozvivharisa kuna gogo vacho
..vakashamisika nazvo vese asi
chakazondishamisa kwapera mazuva
mashoma munyai akabva auya zvekare...

End of chapter
🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

https://chat.whatsapp.com/HGJg23JSU9JEpW
7SLQsx3Y
*COLLABORATION STORY*

*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞±27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*

*CHAPTER 8*
Papera 3 days ndakaona ana sekuru vauya
kumba .Ndakavamhanyira vasati vasvika
nemufaro ndayito ziva kuti vauya nelist.

Me" Auya yuya ,auya wuya.

Ndakasviko kuvambundira vese vari two ana


sekuru vangu.

Sekuru baba Gamu: Haukure Nyarai zera rako


iroro ndiro rekuti auya wuya here kkk.
Me: Aah imi sekuru ndiregei hangu .Ndinotadza
neyi kuzviita ini ndichinzwa kuti ndizvo zvandiri
kuda kuyita ,ndichifarira ana sekuru vangu.

Baba Chamu:" Wagona muzukuru wangu


ndafara ndanga ndakusuwa ."

Me: Neniwo sekuru.

Tayitaura hedu tichifamba ,tichiyenda


pamukova.Ana sekuru vangu ndayivafarira
hapana munhu ayindida semadiro avayindiita
kubva pakafa amai vangu .Unonyatso kuona
kuti vanhu vanondida kwete zvekunyepera
.Pakafa mamha ndivo vayichinjana
kundibhadharira mari yechikoro zvese
nekunditengera mauniform zvokuti dai pasina
zimugwamupinyi rakandibata chibharo.
Ndingadai ndakatoyenda mberi nechikoro
kusvika form six. Kana kuchikoro ndayiti
ndakabvunzwa zita rababa vangu ndayiti
vanonzi John kureva sekuru baba Gamu.Kana
ambuya vagumbuka vayingonditi "iwe mwana
waJonh."Pavakadzi vavo anondifarira ndimbuya
mai Gamu chete,mai Chamu vayisatomboda
kana nekundiona zvaigara zvakanetsana
nasekuru nenyaya yangu.

I still remember ndakambotengerwa uniform


nasekuru ivo ndokuyipisa vakapotsa
varongedzeswa mabag nasekuru kuti vayende
kumba kwavo.Vakatozondikumbira ruregerero
vakanditengera imwe uniform nemari yavo
yavakanohodhesa mbambaira kuMbare.
Saka ndayinyatso kunzwa kufara kana ndinana
sekuru vangu .Takanopinda hedu mumba gogo
vaive vakagara imomo.Vakakwazisana
ndokuzopinza havo nyaya yavo mudariro
yavaive vavinga.Gogo vakambopopota asi
vakanyengetedzwa vakabvuma ndakafara
kani.List raive ratouya chaive chasara kuripa
munyai wekwana Peter .

Ana sekuru vakazodzokera havo kumazuva


rodoka.Mazuva haana kumira kufamba . Friday
yakasvika munyai akauya kuzotora list
sekuudzwa kwaayive akayitwa nagogo
pekutanga kunyangwe havo vayinyepedzera asi
zvakazoita zvechokwadi.Munyai akabva atosiya
date rekuuya kuzorora rayisave kure.Pakange
patosara mazuva mashoma kuti ndiroorwe
naPeter.Iyo Friday yacho iyoyo ndayiziva kuti
ayitouya kubva kuHarare saka mufaro wayitove
padenga.

Ndakakasika kubika zvemanheru nekukasika


kunorara.Dzave kumanine Peter akabva auyawo
zveshuwa. Ndakayita kumuka mumachira
mandaive ndakanomumbundira.Ndakayita
nguva ndakadaro pasina chandataura.Iye ndiye
akazotanga kutaura

Him:" Zveshuwa ndanga ndasuwiwa apa".

Me:" Yaah ndanga ndakusuwa honey ,urisei


hako plus ndiri kufara gogo vakabvuma .
Him" : Yah ndanzwa navaMaruza manje manje
unenge wave wangu."Ndisisadye zvinhu
ndichiita zvekubira izvi".

Me:" Yes ndava kunzi mai Zuze."

Him:" No babie unogonzi mai Zuze sei kunge


tisati tane mwana.First born yedu tave nayo
Blessing saka uchangoramba uchingonzi mai
Bee"

Me:" Ndichangoramba ndichinzi mai Bee kunge


ndakamborishedzwa zita iroro handi
ndinongonzi Nyarai.Hameno kuti kuzvara
mwana asina baba chitema here vanhu
vanotokuona seuri bharanzi hapana anomboda
kukuremekedza.

Him:" Zvichapera zvese izvo soon unenge wave


wangu .Anongokuti Nyarai chete tinonetsana."

Me:" Ngatichitaurei hedu takagara pasi."

Takanogara pandaive ndawaridza parukukwe.

Him: Ndanga ndakusuwa mudiwa wangu .Week


rino randinonokera kufamba zvokuti uye
ndayingonamata kuti vana sekuru vako
vabvume

Me: " Vakabvuma anasekuru vangu vanondida


zvekundidisisa chaiko havagove neni." Vanhu
vaviri ivavo ndivo vanonyatso ndida kwete
zvekunyepera

Him:" Aah ko ini hauzvione kuti ndinokuda."

Me:" Hii sorry hako newe.

Him: " Handisi kunyatso kupa rudo ndosaka uri


kuyita uchindikanganwa .Mira uwone zvandiri
kuda kukuita nhasi.Ndinoda kukuzhaka nayo iyi
zvokuti paunofunga vanhu vanokuda unotanga
kufunga ini kwete kundiyisa kwekupedzesera."

Akabva aswedera pedyo neni akatanga


kundikisa.Apo kiss yacho yainaka sei
.Takamboita zvimaminutes zvishoma
tichiromancer.Kusvika yazopinda mukati
mangu.Ummm ndayiita kunakirwa hangu ,
zvokuti ndayingonamata nechemumoyo kuti
"Mwari itayi kuti ave wangu forever, pasawane
anopindira pakati pedu.Ndinoda kuva ini chete
mukadzi waanoziva.Itai kuti asazondihurire
nekuti ndinomuda .Kufadzana kwatiri kuyita
panguva ino ndinoda kuti tifadzane kusvika
murufu asazofinhikane neni.Itai kuti
ndimunakire pese paanondikwira zvichibvira
kutondiwedzera kunaka zuva nezuva pese
paanoda nezvangu.Ipapo ndayiita kunguruka
chiuno zvokuti Peter anakirwe neni uye ndiyo
nguva yandakaona kuti ndinamate
nezvazvo.Handi kunzi imba ndiro bonde racho
saka rinofanira kuropafadzwa naMwari kuti
zvinhu zvirambe zvichifamba .Takazoedza hedu
takapukutana paive pasina zvokuti kugeza
nekuti paive pasina pekugezera pacho.

Pamba pedu paive nebucket one rekugezera ,


rayirara nagogo mumba mavo vachiriitira
weti.Ko chisi chako masimba mashoma papi
pacho pandaiva rambidza kuti "gogo musaitire
weti mubucket rekugezera" kunge ndini
ndakaritenga.

Takapukutana hedu takarara.Takazomukira


hedu kamutsa nedako dzave kumathree
tichipedza Peter akabva ada kuyenda.Ini
ndakabva ndafunga nyaya yaTapiwa .Ndaive
ndisati ndambokumbira hangu Peter mari kubva
titange kudanana ayindipa ega ndisina
kukumbira asi ipapo ndakayita zvivindi
zvekukumbira.

Me:" Honey ndinokumbirawo dollar kana unaro."

Him:" Nderei babie kubva titange kudanana


hausati wambondikumbira mari.Ndayitoshuvira
kuti undikumbirewo zvino iwe
wayisakumbira.Ndayitarisirawo kuti
undikumbire $10 zvichiyenda mberi iwe ndipo
powondi kumbira dollar , unoda kuyitei nemari
shoma yakadaro.

Me:" Ndine chikweti chaTapiwa"


Ndakabva ndamurondedzera zvese
zvandakaitwa naTapiwa.Ndayisafanira
kumuudza asi ndakangonzwa moyo wangu
uchinditi nditaure ndosaka
ndakamuudza.Hapana zvaakataura
akangoburitsa dollar ndokunditambidza
ndokundinama nekiss ndokubuda hake.

Kwatoyedza ndichitosuka hangu maplates


ndakaona mai vaPeter vasvika.Vakasviko nanga
padara pandaive ndiri.

Mai vaPeter: Saka une nharo


nhayika.Wamuvavarira mwana wangu kunge
ndiye ega murume munyika muno.Varipi
ambuya vako varikukudzidzisa chihure.
Gogo: Hezvo ko makadzikamawo masvika
pamba pevanhu munobveyi.

Vakadaro Gogo vachitofamba kuuya kwataive


tiri.

Mai vaPeter: Gegegegeee pamba ipapa


ndakazvitarisa ini , pamatanga.Matanga
embudzi chaiwo.

Gogo: Mundinyarewo manzwa ,hamusati


mambondiona ndichisvika kumba kwenyu saka
madirei kutsvaga pamuromo.
Mai vaPeter: Ndimi manditokonya handina
kukuudzai kuti musanyore list asi imi nehudyire
kuda kudya too much ndizvo zvakakutumai kuti
munyore.Manje ndinoda kukudzai kuti wangu
mwana haarore mvana hazviitwe izvozvo
ndichiri mupenyu.Kana muchida aroorwe
naPeter mototanga mandiuraya ini ndokuti
zviite zvamuri kuda.

Gogo: Haiwa tibvire apo asi ndiwe unoda


kupinda naye mumagumbeze Peter wacho
zvaunoda kumurambidza kuroora.

Mai vaPeter: Muri kutotaura rough


muchakaura.Hamunotambire futi , zita renyu
handinyore kubva nhasi, muchajambwa
nezvose.
Gogo : Rega iwe unoda kutotonga kunge ndiwe
urikutipa mweya wekufema.Hatiraramiswe
nechikafu chekutambira isu.

Mai vaPeter: Muchamama hamusati madii.

Vakabva vabhidhaira vachiyenda.

Gogo: Aah kusanyara mukadzi mukuru hanzi


muchamama ishona rudzii iyoyo yakafumuka
kudaro.Munhu wepi asina respect nepamba
pevanhu .Hameno muzukuru ndiwe wazvipira
kuyenda kumba kwavo uchanozvigona here
nhayi Nyarie wangu.

Me: Ndinonozviona ndave ikoko .Chero wavo


mwana achindida hapana chakaipa.

Gogo: Heya hameno ndingati kudii muzukuru


hanzi ayita chake ndihombarume.

Ndakapedzesa kusuka ndiro dzangu.


Pandakapedza ndakabva ndamhanya
kwanaTapiwa ndakamupa dollar rake
ndikadzoka.

Weekend yose yakatopera Peter achiuya


kuzorara kumba kwedu asi handina kuda
kumudza nezvamai vake kuti vakambouya futi.

Mazuva haamire kufamba .Mazuva ekurorwa


kwangu akaswedera kwaive kwangosara two
days chete.Ndakamuka ndakagadzira dzimba
dzese nematsito.Ndakakura kura tumasora
twaivepo.Pakasara payita kunaka kunyangwe
zvapo paive nedzimba dzehuswa asi
pakashambidzika panotooneka kunaka
.Ndapedza ndakatora mugoro wangu wemvura
ndakayenda kutsime.Ndakachera mvura yangu
ndichiyimba hangu .Ndakazonzwa kuseka ayive
Chipo.

Chipo: " Asahwira inga muri mugood mood.


Zvinhu zvakukufambiraika mave kukanganwa
kuti kanana Chipo."
Zveshuwawo rega adaro kubva pandakabva
naye kumba kwasekuru hatina kuzoonana futi.

Me: Handina kukukanganwa ini


Chipo.Ndingakanganwe iwe here shuwa.

Chipo: " Ko chii kusauya kuzondiona."

Me:" Kuwandirwa nepfungwa but iye zvino


ndave kufara asahwira.Kuswera mangwana
ndirikurorwa mugadzirire muuye kumabiko.

Chipo: " Nope handiuye"


Me:" Ko nei vasahwira hamusi kufara here kuti
ndave kuroorwa."

Chipo:" Ndiri kufara chaizvo asi


haungandiudzire nekuti ndasangana newe
patsime .Ko dai ndisina kusangana newe
zvaitoreva kuti wanga usingandiudze".

Me: Hii kana vasahwira ndanga ndichiti


ndichakuudzai mangwana.

Chipo:": Mangwana really, ndozoyita munhu


wekupedzesa kunzwa nezvekurorwa kwako
raini rose rave kuzviziva."
Me: Sorry vasahwira paresveka shuwa ."

Chipo:" Handikuregere zvekudaro ,


uchatondiitira something.

Me:" Ndinoyita hangu, hii wabva


wandifungidzisa zvandakaitwa naTapiwa
nhaiwe.

Chipo: ":Akayitasei.

Ndakabva ndamutsanangurira zvese takaseka


chikwee hedu.Takazobva kumvura kuye
tichisasa nyaya zvedu ...
End of chapter 8

🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

https://chat.whatsapp.com/HGJg23JSU9JEpW
7SLQsx3Y

*COLLABORATION STORY*
*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞+27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*

*CHAPTER 9 ⃣*
*NYARAI*

Ndakange ndave nemufaro wakawedzerwa


weduwe ..Mwari akange ariko hake kumusoro
kudenga chero ndakange ndisingazive musuwo
we Church apa ndakazviudza kuti ndinofanira
kutomunamata ndichimutenda nekutisanganisa
kwavakaita ini na Peter..handina kuzvifungira
kuti zvandakange ndapihwa mwana
ndichazoroorwa nemukomana ndobvisirwawo
mari zvekare...
Ndakatoshuwirawo kuti dai vabereki vangu
varipowo pamazuva maviri akange asara aya
vachipembera vachidyawo pfuma yemwana
wavo, zvino vakange vakaenda kunyika
isingadzokwe.

Zvisinei takachera mvura neshamwari yangu


ndokudzoka zvedu kumba ndichingoisa
mugomo wangu mumba gogo vakabva
vandishevedza..ndakatoshaya kuziva kuti
varikudei zvekare.

"Hona muzukuru patosara mazuva maviru


chete kuti uchiroorwa.. ndanga ndisingade kuti
uroorwe izvezvi nekuti uchiri kuyamwisa
,handisati ndamboona zvichiitika zvauri kuda
kuita izvi kana icho chauri kuda mhanyira
kupinda mumba chii? ,mwana wako aifanira
kutanga akura uyu then ozoroorwa hako
..ndikafunga zvekare mashoko amai va Peter
ahasi kundiratidza kuti uchava nemufaro kwauri
kuenda uku ..asi kana uchienda ku Harare
nemurume wako hazvina hazvo kuipa
...ndinongoda kukuudza kuti kana pane
zvinenge zvakuwana haikona kuzodzoka pano,
ini pandakaku chengeta iwewe nemwana wako
pakakwana ..ana Sekuru vako chavari kuda
kudya Mari yepfuma chete havasi kutarisa kuti
kwauri kuenda urikuenda kunogara here
zvakanaka kana kuti kwete..so pane zvinenge
zvaitika unoenda kumba kwa Sekuru vako
nekuti ndivo vakakutendera kuti uroorwe
handina hangu mazhinji andingataure"

Zva gogo veduwee ndakazvishaira musambo


wazvo ...dai zvainzi vakadzi vese vaigara vaziva
kuti mumusha mavari kuenda kunoroorwa
uchange wakamira sei vairoorwa here? ..Ava
ndivo vaitopenga manje l think kukura
kwavainge vaita vakange vakutorasika njere
.Nechemumoyo ndakangoti hapana
dambudziko randichasangana naro ini because
Peter aindida nemoyo wese ndaitozviziva kuti
aitozonditakura chete ku Harare.

"iribho gogo ndazvinzwa .

Ndakadaro ndokutosimuka zvangu ndikaenda


kunogeza mwana wangu .Nguva dzakafamba
hadzo ndikabika chikafu
chemanheru,pamazuva maviri akange asara
aya raitoita kunge gore chairo because ndainge
ndanonokerwa nekubikira murume wangu
Peter.. Zvisinei kunze kwakadoka ndokuenda
kunovata...
panguva yandakatanga kubatwa nehope
ndakabva ndanzwa door rangu kuvhurwa
zvishoma nezvishoma..Chakandinetsa musi
uyu ndakashaya kuziva kuti akange ari Peter
here?, nekuti Peter asati apinda mumba
aitotanga andishevedza nepa window then
ochopinda mumba ...ndakangoti zvimwe
akange ari iye asi ndakazoshamisika ndatoona
kuti akange asiri iye nekuda kweizwi
randakanzwa remunhu uyu paakange otaura

"Nyarai ndauya kuzokuona shaa."

Ndakavhunduka ndafunga kuti ndoshevedzera


here gogo pandakange ndanzwa kutaura
kwemunhu uyu akange ari Tapiwa.
"wauya kuzoitei nhaiwe asi unondishura
kani?...why uchida kundiitira miyedzo pamazuva
mashoma asara ekuti ndichiroorwa ..lzvezvi
pane vanhu vatokuona uchipinda muno unoda
ndizoita sei vakaenda kunoita makuhwa kumba
kwana Peter kurumidza zvako kudzokera
kumba kwenyu wauya kuzoitei".

"haa usaite semwana mudiki mhani iwe Nyarai

akadaro achitovhara door ndakamunzwa


achitoswedera pedyo nei makange muri
murimaka ndakange ndisina light
ndaitovheneka nemwenje wehuswa
pandaipinda kunovata ..ndakazongoona
gumbeze randakange ndakafuga richidhonzwa
ndokuiswa kwakadaro uko. panguva yandakati
ndisimuke ndibude mumba umu akabva
andidonhedzera pasi kwakutovhara muromo
wangu ndakaedza kumuruma kuti andisiye
zvikashaya basa akandisimudza kadress
kandainge ndakapfeka paakati achindibvisa
pant rangu door rakabva ravhurwa

*AMAI VA PETER*

Munyai akange atouya ne list mufunge


zvakarwadza moyo wangu, Inga ndainge
ndavaendera wani gogo vaNyarai kuti
vasanyore .. chokwadi kana iye Peter akange
atoshiga here kuda mvana iyi kana nezano
chairo ndakarishaya .

Iyo list racho zvakaoma kuita kunge Nyarai


wacho yaive mhandara akange akatovhurwa
zvake kuma bhawa uku..uyu ndiye akange
asigapagare pamba pangu chero akatonzi auya
..Baba nemwana vakange vatori nemari
yekutambisa ..ldzo mombe dzakange dziri
mudanga vaitoendesa dzavo kwete dzangu..

Handizivi kuti baba va Peter hwainge huri hudiki


here kutadza kuona kuti zvainge zvarongwa
nemwana wavo zvakange zvisingaite zvachose..
Chero zvikanzi rudo ibofu apa akange ashaya
choice mwana wangu wekubereka,
ndakatogaya kufamba famba kwandakaita naye
achiri mudiki dai ndakangosiyana nazvo akafa
hake,akange asina dzinofunga uyu,l think
akange aine problem yenjere kuroora munhu
akange akatosiwawo nevamwe ..kutoshinga
kuroora munhu anoyamwisa kutoda
kuchengeta mwana asiri wake shem.

Ndakangosiyana nazvo ini ndakangotarisawo


zvakange zviri zvemeso ..Mazuva acho
aitomhanya mufunge iwo baba nemwana vaito
mhanya mhanya kugadzirira zvekubvisa pfuma
izvi .

Rimwe zuva ndaitobva zvangu kumusangano


we village ndipo pandakabva ndati dhuma
dhuma na Tapiwa.
"Nemakorokotoka ambuya makuwanaka
anokubatsirai basa ..Paul akatongoroora
kwakubva aenda nemukadzi wake kudhorobha
uyu Peter haikonai kumutendera kuti agare
nemukadzi wake ikoko futi,munofanira
kutogara naye muwane mubatsiri
..mugochengeta mwana wa Nyarai zvakanaka
atova muzukuru wenyu".

Mashoko akataura Tapiwa akandirwadza chose


mufunge .

"lwe ziva zvaunotaura mhani ini kuchengeta


mwana wa Nyarai kuti mwana wemwana wangu
here? bodo ndaramba .lwewe ndiwe wakange
uine kodzero yekutoroora munhu uyu kwete
mwana wangu.
"Zviri kutondibata mufunge' ambuya Nyarai
ndaitomuda zvinoka hazvichaita akutoroorwa
nemwana wenyu ..mazuvano avane mufaro
mukuru ,dai panga paine imwe nzira ndaitoita
zvangu kuti vaviri ava vasaroorane ndimutore
zvangu Nyarai".

Ndakange ndiri nechekure na Tapiwa


paakataura mashoko ake aya ndakabva
ndaswedera pedyo naye ..

"Wauya nenyaya yakanaka Tapiwa chirega


kutaurisa tinganzwikwe nevanhuka..lwewe
Nyarai unonyatsomuda here?".
"Ehe ndinomudisisa zvino anoramba achiti ane
wake Peter."

"Haiwawo Peter wekudii handisi kana kuda


kutombomuona kumba kwangu nyaya
yandatofunga ndeyekuti iwewe zvauri kuda
Nyarai uyu, wochimuendera mangwana kumba
kwavo wosvika kumubata ...Hona kwasara
mazuva maviri chete kuti achiroorwa ,handisi
kuda kuti zviitike ini ... Mangwana Peter
anotoenda chete kwana Nyarai manheru saka
paanokuona uina Nyarai mumba handifunge
kuti anenge achazoda futi Nyarai anenge
avekutoti ihure iri".

"Aiwa gogo uku ndiko kufunga kwamaita manje


but ku side kwenyu zvinenge zvaitaka
munofanira kutondobhadharaka ne10us".

"Ah kondingagotadza nei kukupa iwe waita


zvandiri kuda .

"Bva handei muchindipa ndigare ndatoisa


muhomwe

"Umm unotanga waenda Tapiwa wozouya


ndokupa ,ndikakupa ko ukazorega.

"Mungati ndingakuvharei here ini ndichida


Nyarai".
"Hoo pakanaka rega ndikupe yandanga
ndapihwa pama shop apa ndanga ndakasiya
change yangu ".

Ndakadaro ndichitoura mu bra mandakange


ndaiisa .

"Oh tambira haikona kuzorega kuita


zvandataura zvacho.

"Ndokugona gogo aiwa madhiri ndinoita


musandichira henyu Peter anofanira
kutondiwana ndiri mudheni zvekuti anofenda
achindiona.

"lribho unouya wondiudza kuti zvafamba sei .

Ndakabva ndaenda zvangu kumba ndichigaya.


Aiwa ndiko kupera kwehurongwa hwekuroorwa
kwa Nyarai uku aifanira kutoroorwa na Tapiwa
kwete mwana wangu ..Ndakabva ndatoenda
kunopopotera gogo vaNyarai kuti sei vakange
vakatendera kuti List rinyorwe vaitotaura zvavo
zvekutopenga ini nechemumoyo ndikati mazivei
zvandarongera muzukuru wenyu .

Ndakadzoka zvangu kumba, zuva rekuenda


kwaita Tapiwa kunobata Nyarai rakasvika
akatondiona ari masikati .

Manheru ndakaona Peter achibuda mumba


make ndikaziva kuti ave kuenda Kuna Nyarai
,aizivei hake zvakange zviri mberi.

Ndakange ndatononokerwa nekudzoka kwake


Peter ndichimuona akasuva hake nekuda
kwekuti anenge aona Tapiwa arimumba ma
Nyarai ..Ndakanorara zvangu mumba ini zuva
remangwana ndaifanira kutozomukira kunoona
Tapiwa andiudze good news.

Hope padzakange dzobata ndakanzwa


kushevedzwa panze ..
"Mai Peter mukai izvezvi!!!!"

Ndakangobuda mumachira fast ndokubatidza


tochi ka phone kangu ndokubuda panze
ndikaona ano mashura.

End of chapter.
*🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
https://chat.whatsapp.com/HGJg23JSU9JEpW
7SLQsx3Y

*COLLABORATION STORY*

*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞+27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*

*CHAPTER1 ⃣0 ⃣*

*NYARAI*
Mwari vakanaka weduwee ,vakazviona kuti
zaisaita kuti ndibatiwe chibharo kechipiri again
..munhu anavhura door uyu akange agona
zvisingaite..akauya panguva yakaoma
yandainge ndatarisana nayo

Tapiwa achingoona door richivhurwa akabva ati


.

*Hona Nyarai wandishevedza muno uchiziva


kuti Peter wako arikuuya indava uchiita chihure
chinosemesa kudhidhumanisa kudaro, Inga
waiti makarambana waniko na Peter nekuda
kwekuti amai vake havakude*
Ndakanyatso shamisika nemashoko ake aya
..ipapo akange andisiya, ndakatanga kuchema
,akange ari Peter zvechokwadi akange auya..
akabva abatidza light ye phone yake
...akashamisika achiona Tapiwa uyo akange
asina kana trouse akange aribvisa ..

"Ukunyeperwa Peter.. Tapiwa ndiye auya


kuzondivhurira muno handidanane naye ..

Ndakadaro misodzi izere pamatama


..Ndakabva ndaona Peter ati chibhakera kuna
Tapiwa pamuromo wake ropa rikatanga kubuda
.

"Ziva wekuvhurira mumba shaa siyana


nemukadzi wangu hauna kana kukwana uri
benzi remunhu unoti ihure here iri"

...akarohwa Tapiwa akasvika pakukumbira


ruregerero

" Sory hako Peter haisi mhosva yangu


kutumwawo kwandainge ndaita namai vako
nekuti havasi kuda Nyarai uyu".

Ndakashamisika ndichizwa zvaakataura izvi


..Vaidarirei kudaro amai va Peter chii chaizvo
chavainge vakandimakira inini.
..Akashamisikawo Peter nazvo.

"Unoreva amai vangu ndivo vakutuma?.


"Ndinorevesa Peter handisi kukunyepera
chokwadi .

"Ndokupa iwewe problem hawaifanira kubvuma


kutumiwa kasira kubva muno tora chi trouse
Chako ubude .

.Akangonhonga trouse rake Tapiwa panguva


yaakati achibuda pamusuwo akabva anzi
bhutsu kumagaro ndoku nyondera nemuromo
ndakanzwa murume mukuru achizhamba
"wandikuvadza Peter unodarirei kudaro".
Pakaitika noise ndaifunga kuti gogo vachamuka
zvino vakange vakatorara zvavo hope dzekufa
chaidzo ,kana vachinge varara vaisamuka ndo
type dzinobviswa pamubhedha nembavha
..mbavha yotakura mubhedha... haa vairara
gogo l think kwakange kuri kukura kwavainge
vaita ..

Akabva amuka ndokubva aenda kumba kwavo.

"lm sorry bae hapana zvakuita here Tapiwa uyu.

Akauya Peter pamadziro pandainge ndakamira


zvangu.....

"Hapana chaandiita uyu thank you wasvika


good time mudiwa.

"Saka dai ndanonoka ndingadai ndatodyirwa


muchero wanguka .

Akadaro zvake kkk ndakangonyemwerera chete


akabva awaridza pekuti tirare kamwana kangu
kainge kakatofawo nehope kakange katove pasi
zvako

handiti gumbeze randakange ndakafuga


rakange rakandwa kwakadaro uko na
Tapiwa..Takapinda zvedu mugumbeze
nemudiwa wangu ...
Ndipo pandakanyatsoona kuti aindida
zvake..dai akange arimumwe aitoti ndakange
ndatodhumanisa mufunge ..Chandakafarira
ndechekuti Tapiwa akagadziriswa zise
inokwana ..

"Amai vangu vanotopenga zvavo kuronga


zvakadhakwa kudaro zvino zvabatsirei ,handife
ndakakusiya Nyarai wangu kunyangwe vavengi
vaedze kuti rambanisa uriwangu kusvika
mukufa".

Akataura zvakawanda mudiwa wangu uyu


ndokubva tarara takambundirana zvedu
ndainyatsonzwa kudzirwa ndinaye hangu
..akatozoenda kumba kwavo kwatoyedza ...

Mangwana kuseni ndaitofunga kuti pane


achauya kuzobvunza nezve noise yakange
yaitika iyi hapana kana ...kana ivo gogo
chavakabvunza hapana ..Ndakatanga kuita
basa rangu rese repamba ndichigaya zvainge
zvaitika izvi ..pandakapedza kusuka nekutsvaira
ndakabva ndatora mugomo wemvura pandakati
ndichibuda ndakabva ndadhumana na Chipo
uyo aitoendawo kumvura ..akangotanga
nekungoseka zvake
"Ko chiko chauri kuseka nhaiwe.

"Ko sei usina kuuya kuzonditora ndakauyawo


kuzoona firimu remahara rakaitika nezuro
pamba penyu apa.

Ndakarishaya kuziva kuti akange azviudzwawo


nani .

"Firimu ripi askana


"Usaite kunge usiri kuziva, raini rose zvazara
kuti nezuro wanga wavhurirwa na Tapiwa abva
arohwa na Peter ndokubva azotaura kuti
akange atumwa namai va Peter.

"Zvakaoma askanaka ko iye azvibudusa wacho


ndiani nhai"

"Ah unongozivaka kuti Tapiwa ahana kukwana


ndiye azvibudisa muno muraini wena nekuda
kwekuti dhiri rainge vakaronga harina kubuda
. haa uchapinda busy navamwene vako ava
kugona itoenda kuHarare na Peter wako
,akuudza here kuti achakutakura.
"Ummm ndinganyepe ahasati wena hameno
zvinenge zvazoitikawo ikoko askana ndingadiii.

"Haa Peter anokuda don't worry achamira newe,


mumwe wangu mangwana zvako unenge
wakubvisirwa hameno isu ana Chipo
ticharoorwawo rini pamwe tichafa tisina
murume .

"Haikona kudaro Chipo zvichaita don't worry.


Takange tichitaura tese tichienda
kutsime.Tichisvika kutsime kuya takabva taona
amai va Peter ndakati zvimwe vachataura neni
havana takabva tangotarisana na Chipo hedu .
takachera mvura tikadzokera kumba
takazoparadzana na Chipo achienda kumba
kwavo. .Ndichingosvika pamba ndakabva
ndatoona ana Sekuru na gogo vakange vatouya
ndakavatambira nemufaro mukuru ..

Vakange vauya nekuti zuva remangwana ndipo


paiuya kuzobviswa pfuma na Peter ...Ndakava
nemufaro usingaite hangu ..

Yakange yave bata wabata pamba ana sekuru


vakange vatouraya dziri mbudzi mbiri chaidzo
nehuku nhatu again ..Zuva remangwana
rakange iri mhemberero yekuroorwa kwangu
..ndakangoona Pauline anova iye hanzvadzi ya
Peter achiuya nezvinhu zvaive muplastic bag
ndakanovhurira mukamba kangu ndikaona
muine hembe ,matenesi,
zambiya nedhuku ndakafara kwazvo..

Zuva iri Peter ahana kubva auya kumba ..


mangwana acho ndakafumobatidzwa kuchera
mvura na Chipo .. ana gogo nevamwewo
madzisahwira ndivovakange vari busy nepa
Moto ..ndakaita chimbi chimbi kugeza
ndokupfeka nhumbi dzandakange ndatengerwa
na Peter.

"Asikana machena ummm akagona choice apa


Peter kadress kakanaka aka.

Akadaro Chipo nenguva iyoyo takabva tanzwa


kuomberwa kwegusvu panze akange ave Peter
uyu ..Ndakashevedzwa na gogo ndokuenda
zvangu mukitchen umo makange mune
vehukama ..Peter akabva apinda ..

Ndiro rakange riri zuva rekuroorwa kwangu iri


dai ndakange ndichazoenda kuChikoro
ndainyora iri Rondedzero yekuti ZUVA
RANDISINGA KANGANWE ndonyora zuva iri
..Weduwee chainge chiri chitaurirwa zvaida
maizvionera pamhuno sefodya Mari
yakabviswa zvayo ndaitoita kunge ndiri
mhandara zvangu ana Sekuru vangu
vaitongonyemwerera ...Chakazondibata inyaya
yekuti hapana hamayanguwo yekudzinza kwedu
yakange iripowo ...handaitomboziva
kwavaigara.. hamadzamai ndidzo dzakadya
pfuma yangu ...

Zvakange zvisina hazvo kuipa ..pakapemberwa


pakafarwa zvidhakwa zvichinwa doro hama
neshamwari dzakafara zvisingaite zvose
zvakapera ndokusvika nguva dzemanheru
takatanga kuraiwa na gogo mukadzi waSekuru
baba Gamu .

*Musvike kugara zvakanaka vazukuru wangu


ndinoshuwira kuti wanano enyu isaparare..lwe
Nyarai* *ugarezvakanaka nemurume wako uyu
uchimu respector* *nekumubata bho dziri
nyaya dzemu bedroom unofanira kutomugutsa*
*chaizvo asaite gumbo panze gumbo mumba*".

Hapana chavakasiya gogo vakataura zvose


zvakagara mupfungwa dzangu.

"Tinotenda gogo zvamataura tazvinzwa"

.
Akadaro Peter achitenda ini ndokutendawo .

Kwakange kwakutoenda uku gogo vakange


vakandichegeta ndakavatenda ndikavaoneka ,
handina kuona mufaro wavo l think vakange
varwadziwa nekusara vega

Zuva rakatevera racho ari manheru


ndakaperekedzwa kuenda kwana Peter ..Chipo
akange aripowo na gogo mukadzi waSekuru
baba Gamu .. ndakafunga kuti ndichaimbirwa
semuroora handina kana mufunge mutambirwo
wandakaitwa na Mai va Peter hauna kundifadza

*AMAI VA PETER*
Ndakatoshamisika kuona ari Tapiwa iwo
muromo wakange wakaita kunonzi kuzvimba.

"Ko waita sei nhaiwe.

Ndichingodaro akatanga kupopota .

"Ndimi makaronga izvi amai va Peter tarisai


zvandaitwa nemwana wenyu andikuvadza
kasirai kundipa Mari yekuti ndienda kuchipatara.

Ndakaseka zvangu .
Iwe Tapiwa ndidzikamire wanzwa zvauri
kutaura ndezvekupenga izvo hausi wakatotaura
wega her plan iyi siyana neni.

Ndichingodaro baba vekwangu vakabva vabuda


panze .

Chii chirikuitika .

Vakabvunza Tapiwa ndokubva ataura zvese


achindipomera mhosva ..Ndakazviramba
murume wangu akatanga kupopota.

"Kana uchiramba kuti ndiwe wakaronga dhiri iri


ukuedza kuita sei? Ko Mari yaari kutaura kuti
ukamupa wakupira chii yakuwandira handiti..
Asi chii nhai mai Peter sei usingakure kudaro
kuronga zvakafa kudaro chiona zvaitwa munhu
wako ..".

Vakataura zvakawanda murume wangu handina


kuita basa nazvo ndakabva ndatobvuma kuti
ndizvo zvandakaita ndakavaratidza kuti Nyarai
ndaisatombomuda ..

Tapiwa Mari yaida yekuenda kuchipatara


ndakatomuudza kuti enda neyandakamupa
iyoyo akatanga kupopota ndikati ndezvekwako
izvo.

Ndakange ndisisawirirane newangu murume


nezvandakaita izvi ..handina kana kuita basa
nazvo ini ..Kuchichena Peter akauya
akandipopotera akabva andiudza kuti nyangwe
zvidii Nyarai aitouya chete, zvakaoma
ndakangomuti tinomuona auya kwacho ..

Vanhu vese vakange vakutoziva yandakange


ndaronga iyi vamwe ndivo vaindishora
ndichivatukirira wakange uri musha wangu so
hapana ainditonga

Iye Tapiwa akange akadzungairawo aifanira


kumira semurume kwete kungorohwa akamira
hake.
Ndakange ndatofara kuti zvatainge taronga
zvichabudirira iye akudhakwisa madhiri .
Ndakange ndave nendangariro mupfungwa
dzangu kuti sure Nyarai avekutouya pamba
pangu chokwadi kutozogara nechimwana
chake.. chikafu chandainge ndakarima
chodyiwa nemwana wake naiye ,,haa
ndakabatikana ndichitoona achitoenda
kunobvisirwa

Pane zvandakange ndakamurongera Nyarai


zuva rekuuya kwake rakasvika handina
kumugachira nemufaro

End of Chapter
Stay tuned.

Natty and Mai Ryan vanokudai chaizvo.

Thanks nema cmnts tirikumaona 🥰


https://chat.whatsapp.com/HGJg23JSU9JEpW
7SLQsx3Y
🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

*COLLABORATION STORY*

*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞±27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*
*CHAPTER 1 ⃣1 ⃣*

*NYARAI*

"Ini kufunga kwangu ndayifunga kuti


ndichatoonawo pamba pana Peter pakazara
vanhu ndichipembererwa.Asi takatosvika
pasina kana vanhu.Patakasvika pagate gogo
mai Gamu vakafonera Peter kuti tasvika kuti
tigashirwe kupinda mumusha.Gogo vakabva
vati ngatifugei Jira kuti tipihwe mari.Takayita
dzinenge 30 minutes takagara panze pasina
akauya.Takadzimara tafugura jira.

Gogo:" Nyarai wakati tichapembererwa


pano.Haayas hapana chisvinu pano.Ndaona
wazvigokera moto muziso nekuda Peter kwako
uku.

Me:;Hameno gogo pane pandichadzokera


kumashure here ndizvo zvatovepo .

Gogo:Zvakaoma urikunzwa vanhu vari kutoita


kunge vari kupopotedzana mumba macho isu
takangogara pano tichirumwa nezvirumha
husiku huno.

Pakarepo takabva taona munhu ayibuda


mumba

Me: Vave kuuya ngatifugei jira.


Takabva tafuga jira.Tayingonzwa mutsindo
wemunhu ayiuya .Pasina nguva ayive
asvika.Akasvikopa ambuya five dollars ndivo
vaive pamberi.Vakanditambidza takanga
kufamba takapfugama .Munhu uye ayive atipa
mari akabva atanga kupururudza.Achiyimba
"muroora tauya naye nemagumbeze".Ini
ndayitonzwa kubatikana ndayiona kunge
zvemahumbwe.Pasina nguva takabva tagara
hedu tichimirira kupihwa imwe mari.Apo ndipo
patakanzwa kuseka kwamai Peter.

Mai Peter: Hehede huri seka hako


Masibanda.Imi tete ndakuudzai kuti munhu uyu
haasi kuzopembererwa imi nharo
ngende.Anopembererwa akamira sani
mumusha muno.Wangu mwana Peter haasati
aroora.

Tete vaPeter: Varoora ndinokumbirawo kuti


musimuke henyu.Ndine hurombo vanhu
vaMwari kuti tatadza kukupembererai
nekukushonongirai sevaroora vatsva mumusha
muno.Chido ndanga ndinacho asika
handingazviite ndega amai vemusha
varamba.Kana mari yekukuramba ndichikupai
handichina homwe yakasungwa.

Mai Peter: Munogoti homwe yakasungwa


manga muchida kushandisa mari yani kupa
mvana iyo.

Takabva tafugura musoro


nekutosimuka.Takanopinda mumba macho
mataive taratidzwa.Zviya zvekuti kumusha
muroora anosvikira kukitchen ini ndakasvikira
mudinning.

Yaitove first time yangu


kumupinda.Takakwazisana nevanhu
ndokupihwa zvekudya.Takadya raive sadza
nefish .Ndakangodyawo rishoma ndakasiya
sadza racho haraiyidzika nematarisirwo andaive
ndakayitwa navamwene.Blessing ndiye ayiita
kushamira sadza .Akaridya zvekuti ndakanyara
pandaive ndoda kuregedza kumupaka ayibva
aridza mhere achiti "tadha " achitambisa
tumakumbo.Ko ayizivei hake mwana mudiki dai
ayiziva situation yaive namai handifunge kuti
ayimborimedza sadza racho.Apo patakabva
kumba ndaive ndatomupa sadza nematemba
ndakatoshaya kuti nzara yacho yaive
yabvepi.Tichipedza kudya takanoratidzwa room
yedu yatayirara.Tichangopinda muya gogo mai
Gumu vakabva vatanga kutaura.
" Nyarai muzukuru situation iripano yakaoma
kutopfuura zvandanga ndichifungidzira.Ndaona
waona nhamo navamwene vako.Ini chaiye
handichatorare pano rega ndinorara hangu
kwavamwene vangu kwakasununguka.

Me";Ko nei gogo.

Gogo: "Ko ndinorarirei pano, ipo pasina kuyitwa


chivanhu chedu mazezuru.Handi wanga
uchifanira kupembererwa uchipihwa mari ndiko
kushonongorwa kwacho.Kuratidza kuti
wagamuchirwa mumusha mevanhu.Mari
yawayipihwa ndiyo yawaifanira kuzotenga
kabucket kemubedroom mako naPeter
kekugezara kana mapedza nyaka nyaka dzenyu
netowel kekupukutisa netumafuta.Zvino apa
zvinobvepi iwe usina kupihwa mari.Iyo 5dollars
inokwanei".

Me: Kana neni ndatoona kuti hapana kumira


mushe pano .Dai ndakayenda hangu naPeter
kuHarare nekuti pano handione kunge
pachagarika ini.

Gogo mai Gumu: "Wotoshinga muzukuru ndiyo


imba yacho yawada.Ende ziva kuti wapinda
mumusha mevanhu iwe ndiwe
mutorwa.Usapesanise vanhu wavakaona
vakagara zvakanaka.Kuti wanetsana
navamwene iwe woudza murume hazvitwe
zviya.Zvinopa amai nemwana kuti vavengane
iwe ndiwe unenge uri honzeri ende mangwana
ndiwe unogona kutonzi wakashata nekuti mai
vake akagara navo 28years asati ave
kutomboziva iwe.Saka ndizvo zvinomupa kuti
agone kukuti iwe ndiwe mutadzi kupfuura mai
vake.Iwe semunhu apinda mumusha mevanhu
wumbiridza kwete kuputsa nhaika" .

Me: Ok thanks gogo.

Gogo:; "Ini handichagare muzukuru handeyi


ndichibva ndangowoneka vanhu vachiri
vakasvinura kudai. Handidi zvekuzoti vamuke
ndisisipo ndisina kuwoneka .Hazvizobuditsa
chimiro chakanaka zvinoita kunge ndatiza."
Me:" Chokwadi mopota muchiuya
kuzondionawo pano kana ndisina kuyenda
kuHarare".

Gogo: "Ok ndinouya kana iwe unouya kumba


kana watisuwa.Handi wakabvisirwa hauna
kutizira kaiwe saka chinokukonesa chii."

Me: Hapana

Gogo: "Wosara zvakanaka, handei


ndinowoneka.Ende Vamwene vako havatokudi
pano ndosaka wapihwa sadza nefish."
Me":Inga muriwo wakanaka wani.Ndatofara ini
ndanga ndichitofunga kuti ndichatambirwa
nederere."

Gogo: Derere rakatenge nani muzukuru .Fish


hadziyite kubikira muroora mutsva mumusha
haagare.Vamwene vako ndizvo zvavatizviitira
vatinotozviziva."

Me" : Hii chokwadi here gogo asi mandisiya


ndichidya wani."

Gogo mai Gamu: "Chokwadi Nyarie.Asi handina


kuda kukurambidza zvinoyita kunge tapumha
huroyi vabika hazvibude zvakanaka."
Me:" Saka mandisiya ndichiroyiwa makatarisa"

Gogo : "Wayida ndidini, handeyi tione"

Takabva tabuda gogo vakawoneka


vakayenda.Ini ndakadzokera kuroom yataive
tapihwa kuti tirare ndimo mayitove
maPeter.Pasina nguva akabva awuyawo
Peter.Akatosvika ndakagara hangu pasi pafloor
Blessing ndiye wandayinge ndaradzika
pamubhedha.

Peter:" Babe ko indava kugara pasi."


Me: "Hapana hangu kutovarairwa ndiri pano."

Peter: "Simuka tigare pano."

Ndakasimuka akandibata ruoko.Takagara


pamubhedha.

Peter: "Indava kuyita kunge wakasuwa kudaro."

Me: "Handina kana mufaro hako.Unoziva zuva


rino ndiro randaifanira kufara zvokuti.Asi kana
mufaro handina hameno chagara pamoyo
pangu.Ndiri kutonzwa kusurukirwa."
Peter: "Hausi kufara kuti wave mukadzi wangu
here."

Me: Ndambenge ndichifara ndisati ndauya


pano.Kubva zvandatsika pano ummm handina
kana mufaro handidi kunyepa" .

Peter:"Nekuda kwamai vangu here babie."

Me:" Zvese nesituation iri pano.Hona nhasi


izuva ranga richifanira kuyita remafaro but
zvatadzika.Pari kutoita kunge panhamo zvapo
kunge pane mumhu afa."
Peter: "Zvichagadzirisika babie, trust me."

Akabva andidhonzera paside naye takatanga


kukisana hedu .Takazorova kamutambo kedu
kechikuru.Tapedza takapinda
mumachira.Ndakararirira pachest
paPeter.Ndakabatwa nehope
ndakadaro.Ndakazomuka ndavatiswa papillow
time dzakachemera Blessing
mukaka.Ndakamupa mukaka ndakadzokera
mukurara.Ndakazomutswa nembo*o yaPeter
yayindigumha mumagadziko angu.Pasina
chinguva ndaive ndatopindurwa ndave
kunakirwa hangu.Patakapedza hope dzakabva
dzandibata zvokuti ndakamuka kumafive ini
ndayida kumuka nafour ndogeza zvino
ndakatadza kudzibata.

Padakamuka nafive ndakabuda panze .


Ndakashamisika kuona yard tatotsvairwa
maplates atozara padara kuratidza kuti
asukwa.Ndakanopinda mukitchen ndakaona
mai vaPeter vave kutoshainisa
nechekumusuwo kupedzesa mumba muchita
kupenya.

Me : Mamukasei mamha.

Vakaramba vakanyarara vatanga kuyimba asi


payingonzikwa kuti hmm ,hmm chete
pasingabude manzwi.Pandakaona zvese
zvaitwa ndakabata mutsvairo kuti ndinotsvaira
kudinning.Ndipo pakataura mai Peter ipapo.

Vamwene: "Eh mafungei nemutsvairo."

Me:; "Ndiri kuda kunotsvaira mudinning."

Vamwene:" Kusanyara zichapa remukadzi


.Unoda kunobata zvinhu zvangu nemaoko ako
arara achibata zvakawanda husiku hwese.Enda
unotigezera uko zichapa.Munhu wemukadzi
anomuka achigeza asati abata chinhu kana
wanga usati wakuzviziva.Unoda kuswera
uchitinhuwidzira kanhu kako ikako."
Aah ndakatya nazvo vamwene vasinganyare
kudzika dzika nenyaya.Kunge ndaive ndaramba
kugeza kwacho.Ndakasiya mutsvairo pasi
ndakatora bucket kunogeza.Ndichipedza
kugeza.Ndakawana mudinning matotsvairwa
zvokuti ndakashaya kuti ndobata
payi.Chandakazongoyita kutsvaira kubedroom
mangu naPeter.Ndave kubuda kunorasa
marara.Ndakabva ndanzwa vamwene vangu
vachishedzera vari mubathing room.Apo vanhu
vese vayinge vatomuka vakagara
paverondor.Ndayida kupfugama ndimutse tete
nababa vaive ipapo.Ndakabva ndanzwa.

Mai vaPeter:" Iwe Nyarai huya kuno."


Vatezvara: "Hunhu hwai nhayi ambuya
vaTaku.Munoshedza muroora nezita kuti
zvidii.Madii kuti mai Bee kana matadza kuti mai
Zuze.

Vamwene: Iye ndiye ane hunhu here.Agezesesa


tauro renyu ramakasiya muno.Kushaya matyira
kugezesa netauro ravatezvara."

Ndakanzwa hana hangu kuti


tsemu.Zveshuwawo ndaive ndarigezesa
handina kunge ndazviziva kuti nderani
.Zvandakaona riri mubathing ndakangoti
nderemusha wese sezvandayiita kumba kwedu
nagogo vangu.Vakabva vabuda mubathing
muya vakauya kwandaive ndakamira
.Vakasviko ndikandira tauro riya kumeso
kwangu richinowira muvhu.
Vamwene: "Kubva nhasi rave rako.Handi hauna
nyadzi .Chigesesa iwewe wangu murume
haachageze naro."

Tete: "Ndizvo zvinoyitwa here nhai muroora."

Vamwene: Imimi tete nyararai.Ndimi


makandirambidza futi kutaura nezuro kamwana
kaNyarai kachidyisa sadza kunge raive rabikwa
namai vacho."

Vatezvara: Ngayipere kani mbuya vaTaku


.Handi ayita mukusaziva here."

Me: "Shuwa sorryi henyu mamha handitozive


kuti tauro harisevenzesane ndangoti
nderemusha wese."

Vamwene: Handisi amai vako ini.Ende


haukodzere kuyita mwana wangu saka zvako
zvekunditi mamha chibva warega hako .Iwe
Peter utsiure mukadzi wako asatiyitire kahunhu
kenguruve pano.Kana watadza kutengera
mvana yako towel muudze agezese nenap
remwana wake."
Vakabva vapinda mumba vachiita
kubhidhaira.Ndakanorasa marara.Ndakayenda
kukitchen kunobatidza moto.Ndayida kubikira
vanhu zvemakuseni asi ndaive ndisingazive kuti
payibikweyi semunhu mutsva.Ndakayenda
kudinning kwaive navamwene vangu.

Me: "Ndabatidza moto ,ndobikei."

Vamwene: "Bika chero chawada pane


zvawakauya nazvo pano."

Ndakabva ndapererwa .
Me: "Hapana chandakauya nacho ini."

Vamwene: Saka wazobatidzirei moto kana


uchiziva kuti hapana chawakauya nacho.Uye
akuudza wacho kuti ubatidze moto mukitchen
mangu ndiyani.Uchindisvibisira mumba mangu
netsoka dzako.Kuno hakusi kwambuya vako
kwamunongogara muchinhuhwa hutsi.Ndiri
kutobika izvozvi Iyo poto yerice iripagas stove
saka don't worry amai .Garai henyu pasi ini
muroora ndinoita zvese handi mangomuka
ndayita zvese saka chinondikonesa kukubikirai
chii."

Ndakabva ndapusa.Ndakanogarawo
paverondor paive nevamwe.Takazoshedzwa
mudinning tea yaibva.

Yangu ndiro yaive nembabaira chete vamwe


vane rice nechicken.Ini hangu ndayisave nebasa
nazvo asi Blessing akatanga kuchema akatarisa
maplates evamwe.

Tete: "Chiko mwana , arikuchemei.."

Blessing: "Nyanya"

Tete: "Arikutiyiko."
Me:" Arikuti nyama ."

Tete: Mupeika.

Pau: "Muplate mavo hamuna nyama umo mune


mbambaira chete."

Vamwene:' Eh ndayitira kuti anoyamwisa ka


saka anoda zvinogutsa kuti mukaka usise."

Vatezvara: "Asika mungadayi mangopakura


mayisa mbambaira dzacho paside sezvamayita
medu."
Peter akabva atora Bee akatanga kudya naye
mundiro make.

Mamha: "Murikuona ndizvo zvandayirambira


kuti mwana wangu arore mvana.Iye ndiye ave
kufa nenzara achifidha kabastard ako."

Pau: "Dai mangopakurira amai vacho Bee asina


kumboyenda kuna Peter .Imi ndimi mayita
zvidayi."

Vamwene: "Nyarara iwe chii chaunoziva ipapo."

Vanhu vese vakabva vanyarara vakatanga


kudya.Ini nechemumoyo ndayingoti pamwe
ndinoyenda naPeter kuHarare sezvo kuriko
kwaanoshanda.......

End of chapter 11
https://chat.whatsapp.com/HGJg23JSU9JEpW
7SLQsx3Y

🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

*COLLABORATION STORY*

*BY*
*LEE aka MAI RYAN*
📞±27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*

*CHAPTER 1 ⃣2 ⃣*

*PETER*

"Mai vangu vaive vandinyadzisa hangu.Kuyita


zvinhu zvakafumuka kudaro
chokwadi.Kunyangwe vakamuvenga Nyarai
wacho ndipo pavangamudaro here.Dai ndisina
kusvika nenguva kunaNyarai dai Tapiwa
akatodya zvinhu zvangu.Nyarai ndakanyatso
kumutruster nekuti ayinge akambondiudza
nezvaTapiwa paayida dollar."

Ndakazonoroora Nyarai.Zuva rake rekuti auye


kumba ndakataura namamha kuti vapemberere
murora wavo vakaramba.Ende ndakanyara
paakazouya Nyarai.Gogo vake mai Gamu
vakandifonera vachiti vasvika .Ini ndakanoudza
vanhu kuti vatambirwe.Asi mai vangu vakatsika
madziro kuti haatambirwe.Tete vakazobuda
zvenharo chaizvo.Ndiko kusvika kwakayita
Nyarai mumusha.Paul nemukadzi wake havana
kutouya ugoona ndaive
ndakatovazivisa.Hameno kuti vakazofonerwa
vachiudzwa kuti kudii namhamha.Kana Palisa
mwanasikana wamai vangu mukuru kuna
Pauline ayisavepo futi.

Akapinda hake babie wangu mumusha asi


zvainyatso kuoneka kuti haana
mufaro.Ndakamubvunza haana kuda
kundivanzira baa .Akanyatso ndibudira pachena
ende kana ini ndakazvionawo kuti payive
pakaoma.

Ndakademba kuti dai ndaive nekwekuyenda


naye ndayimutamukura hangu.Pane kuti asare
achishungurudzwa namamha.Zvino
kwandayishanda, munhu wandayishandira
munhu mutema ,Manager weku Baclairs
bank.Tayigara tiri two chete pamba ipapo ini
naye.Mukadzi wake nevana vayigara kwavo
vega.Pandakamuudza kuti ndave kunoroora
haana kuda kundivanzira.Akanyatso ndibudira
pachena kuti "pano hapagarwe nemunhu
wechikadzi ndosaka urikuona vangu
vasingagare pano.Saka iwe wosarudza chauri
kuda basa nemukadzi."Ini basa ndayirida sezvo
ndaive ndisina kumwe kwekuyenda nekunetsa
kwemabasa".

Zvaive pachena kuti ayive nemhiko dzake saka


ndayisafanira kuyenda naNyarai ikoko.Musi
wakauya Nyarai kumba kwedu ave mangwana
acho iii amai vangu vakaswera vachimuonesa
nhamo zvokuti ndakanzwa tsitsi.

Ave manheru acho tapedza kunakirana hedu


ndakaona uriwo mukana wekuwoneka iwoyo .
Me: Babie ini mangwana ndave kudzokera
kuHarare.Maoff days andaive ndakapihwa
apera.

Ayive akarara pachest pangu akabva amuka


akayita zvekugara.

Nyarai: "Asi hausi kuyenda neni kani."

Me: Yes babie pandinoshanda hapabvumirwe


munhu wechikadzi.Plus pay yangu ishoma
yandinotambira hayikwane kuti tibhadhare rent.
Nyarai: "Ooh my God saka ndirikusara pano."

Akademba mwana wevanhu apo abata musoro


achitoyeredza misodzi.

Me: " Yes babie ndinouya ndokuona kaviri


pamwedzi.Ndakauya pakati pemwedzi
ndozodzoka futi kupera kwemwedzi
ndatambira.Handichauye maweekends ese
sezvandayiita paye kuitira kusaver mari ndane
mhuri kudai

Nyarai: "Haa haurevesi Peter .Shuwa nekubatwa


kwandiri kuyitwa pano iwe ndipo powoti unouya
kaviri pamwedzi.Hongu zvekuti kubasa kwako
hakudiwe mukadzi ndazvigamuchira hangu ,ko
zvekusauya maweekends unoda ndidini."

Me:" Ndakada kuuya every weekend hapana


chandinoita, mari yacho inoperera
mubus.Muchada kudya nekupfeka iwe
naBlessing .Wotoshinga mukadzi wangu
,naamai zvichaita makatogarisana
zvakanaka.Uye handisi kuyenda kure kure
zvekuti ndiri kutadza kudzoka.PaHarare apa
ndinouya ndichikuona mudiwa wangu."

Ndayitotaura ndakamumbundira achichema.

Nyarai: "No Peter zvirinani basa racho ripere


haro pane kundisiya ndega pano bodo.Kana
uchida kuyenda enda asi ini uchingokwira bus
neniwo ndirikutorawo yangu mukwende
ndodzokera kumba kwedu pano
kwete.Wazviona zvandaswera ndichiitwa namai
vako iwe ndipo powoda kukwira bus uchindisiya
mukanwa meshumba."

Ndakatoona kuti agumbuka zveshuwa kusvika


pekupedzesera.Ndakaona zvakanaka kuti
ndifonere murungu wangu chero ari munhu
mutema asi nekuti ndiye boss ndayingomuti
murungu.Ndakamufonera manheru iwayo
ndakamuudza kuti ndayisakwanisa kuuya
mangwana acho akanzwisisa hake . Ndayida
kusiya ndataura namai kuti Nyarai asare
achigara zvakanaka.
Kana iye akatombodzikama pandakaronga
zvekutaura namamha..Ndakazomunyengetedza
hangu takarara..

*Nyarai*

Umm ndakaswera ndichioneswa moto kani


namai vaPeter.Ave manheru ndakanzwa Peter
ave kuti anondisiya namai vake.Ndakarwadziwa
ndakachema ndaive ndazvipira hangu
kudzokera kumba kwambuya vangu.Dzaingove
pfungwa asi ndayitoziva kuti hapana
kwandinoyenda handi ambuya vaive vanyatso
buda pachena kuti ndisadzoke saka
ndayiyendepi. Ndakazonzwa kusununguka
zvishoma Peter paakati aive asisayende kuti
ambotaura namai vake.

Ndakazorara hangu mangwana acho


ndakamuka na4am.Ndakafara kuti ndaive
ndabata nguva dzekuyita basa.Ndakabuda
panze kunotsvaga mutsvairo wekutsvairisa
yard , ndingawuwane.Ndakatenderera neyard
yose kana kuona pakayiswa mutsvairo apo
kwaive nekarima.Ndakadzokera mumba
ndakaona Peter atomuka.

Peter: Urikubvepi babie kuseni seni kuno.Apo


hauna kupfeka zvinodziya kune kachando kudai.
Me: Ndibatidzirewo torch yefoni yako ndinoda
kunotarisa mutsvairo , ndaushaya unogarepiko
mutsvairo weparuvanze

Peter: "Ndinomboona mamha vachiwuyisa


pamusoro pechirugwi chehuku ,hapana here."

Me: "Ummm hapana apa maybe ndatadza


kuona nekuti pane karima."

Peter: "Iwe wanyanya kumukira kwacho".

Me: Eh ndati nditsvairewo yard mai vasati


vamuka .Nezuro ndakazonyara ndaona vapedza
zvose.

Peter: "Hande ndinokubatsira kutarisa."

Takabva tabuda kunotarisa but paive pasina.

Peter: "Handeyi tinotarisa muberevere


mekitchen ndimo mavanosimboyisa kuti
usanayiwe nemvura."

Takayenda paye takatenderera nemba yose asi


hapana chatakawa.
Peter:;"Handei babie hapana mutsvairo."

Me::Yaah kutomirira vamuke.Apo kuti ndisuke


hazviite yard isati yatsvairwa maplates anoyita
dust even mumba macho.

Peter: "Handi yard yakatsvairwa nezuro saka


yakachena.Mamha vanoti vakatsvaira nhasi
mangwana vojamba."

Me: "Hoo saka rega ndiburitse maplates


ndisuke hangu.Makey acho aripi repakitchen."
Peter:" Anogara mudinning hande unotora."

Takapina mudinning takatarisa makey paayinzi


ari pacho payive pasina.Takagudubudza
kusvika taneta.

Peter: "Hapana babie zviri kureva kuti ari


mumba mamamha nekuti ndivo vakavhara
kitchen nezuro.Enda unopihwa."

Me: Haa mumba muna vatezvara , shuwa


ndonzwika ndichigogodza nguva yino.Ummm
hazviite baba Bee handei tinorara.

Peter: "First time yako kunditi baba Bee pese


wayingonditi Peter."

Me: Handi paye waive usiri murume wangu


iyezvino wave murume wangu saka ndotofanira
kukupa respect sababa asi kana usingade
kushedzwa nezita remwana wangu.

Peter:" Iwe ndiwe une pamuromo manje.Inga


ndinogara ndakataura kuti Bee mwana wangu
saka apa urikuyedza kureva kuti kudii."

Me: Sorry.
Peter: "Mutambiro iwoyo handiude hangu."

Me: "Handichazviite futi."

Takadungamidzana kuyenda mubedroom medu.


Takasvika Bee atomuka ayive akamira padoor
atadza kuvhura zvekuti akapotsa arohwa
nedoor . Peter paakavhura.Akabva amusimudza
akayenda naye pamubhedha.

Peter:" Babie mwana ngaarumurwe uyu akura


ane mamonths mangani."
Me: Arikusvitsa two years mwedzi unotevera
uyu.

Peter: "Aah akura mubvise pamukaka."

Me: Chikafu chacho baba Bee nemamiriro


akayita zvinhu pano mwana wangu anofa
nekwashu chokwadi.

Peter: "Ok ndichatenga kupera


kwemwedzi,wondipa list racho rezvinodiwa
nemwana then worumura."

Me: Ok thanks.
Vakabva vatanga kurezvana naBee kusvika
kuchene.Ndakazobuda mumba zuva
richangotanga kubuda.Ndakawana vamwene
vakutopedza kutsvaira yard.Ndakayenda
pavaive vari vachitsvaira.

Me:; Mamukasei mamha ,nda...

Ndisati ndapedza ndakabva ndadamburwa.

Vamwene:";Iwe imbwa iwe kangani


ndichikuudza kuti handizi amai vako.Unoda kuti
ndikuwudze kangani kuti unzwe."
Me: Sorry .

Vakabva varidza zitsamwa vakatanga kutsvaira.

Me: Ndamuka kare ndanga ndichida kutsvaira


yard zvino ndashaya panga pane
mutsvairo.Even makey emukitchen
ndamashaya.

Vakabva vamira kutsvaira vachindinongedza


nemutsvairo.

Vamwene: "Wanga uchideyi mukitchen


mangu.Chii chako chawakayisa imomo."

Me: "Ndanga ndichida kusuka maplates."

Vamwene: "Maplates ani hee.Uye netsvina


dzako unoda kuudzwa kangani kuti unofanira
kugeza usati wabata midziyo yangu."

Me: Inga imi murikungoyita wani musina


kugeza.Handi kugeza ndinozogeza ndapedza
sezvamunoita imi.

Vamwene: Saka iwe neni takafanana here.,Ini


ndiri pamba pangu ndinoyita zvandinoda ini uye
mutemo ndini ndinodzika.Pamba pangu "my
rules ", mototevedzera zvandinoda ini kana
uchida tigarisane.

Vakabva vatanga kutsvaira vachiuya


nekwandaive ndakamira.Dust richiita
kumbumuka ndakabva ndadzokera hangu
kubedroom kwangu.Ndakangoti ndichipinda
Peter akabva atobuda.Ndakazonzwa panze
pane noise.Ndakabuda ndichimhanya.

Vamwene: Saka baba nemwana kundikutsirana


nekuda kwemvana iyo.Shuwa mwana
wandakazvara inini kundiudzira zvekuyita
ini.Zvino ndinotakura mabag ndoyenda mosara
muchigara zvakanaka nemvana yenyu ini
ndayenda."

Vatezvara: "Muchiyendepiko ambuya vaTaku


semune kwekuyenda."

Vamwene: "Pandongo rababa vangu


kuChipinge.Ndinotosvika kugara zvakanaka
ndichinhonga donje ndowana
mari.Musambofunge henyu kuti handina
kwekuyenda ,ndinako."

Tete vaPeter: "Ayiwa muroora dzikama


wapindwa neiko kuseni kuno.Zvinhu
zvinotauriranwa."
Peter: "Mamha ini ndinongoda kuti mungopawo
Nyarai mukana .Kana muchindida sekutaura
kwamuonoita ipayiwo mukadzi wangu mukana
mogarisana zvakanaka asi kana musina kubvira
makandida semwana wenyu ayiwa rambai
musingade mukadzi wangu . Ndinobva
ndatobva pano nemukadzi wangu gumbo rangu
hamurione futi richitsika pano."

Vatezvara:" Peter usadaro."

Me: "Ndiri kurevesa mudhara.Zvirinani tibve


hedu pano kana tichonorara pasi pebridge
tinonorara chero ndine mukadzi wangu
paside.Chandisiri kuda ndechekusiya mukadzi
wangu ndichiziva kuti arikutambudzwa pano."
Tete vaPeter: Mazvinzwa maiguru zvamuri
kuyitira mukadzi waPeter zvave kutoita kunge
musingade Peter wacho.

Vamwene: "Ok ,mwanangu


ndichachinja.Ndichayedza kugarisana naye
Nyarai wacho."

Peter akabva ambundira mamha vake kana ini


ndakatonzwawo kusununguka.Takazoswera
hedu zvakanaka zuva iroro..
End of chapter 12

🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

https://chat.whatsapp.com/BIIBNOLOL2XDus4
ny5b8LJ
*COLLABORATION STORY*

*BY*
*LEE aka MAI RYAN*
📞+27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*

*CHAPTER 1 ⃣3 ⃣*

*NYARAI*

Dai pakange pasisina tete na atezvara vangu


handifunge kuti amwene vangu vaichinja hunhu
hwavo uhwu ..ndakanzwa kufara mukati
memoyo pavakaudza murume wangu kuti
vaizosara neni zvakanaka ..zvaitoreva kuti
vakange vatozvitambira kuti ndichiva muroora
wavo...

Mwari vakange vaita havo vainge vabvisa


amwene wangu mweya wekusandida
kwavainge vachiita havo ...Takaswera tichifara
hedu ..

"Ndipe kuno chizukuru changu ndisare nacho"..

Ndipo pandakanyatsoona kuti vakange vave


nemoyo wakanaka ipapo ndakange ndichida
kutoenda kumvura nguva dzakange
dzatofamba saka pamba pakange pachitodiwa
mvura yekuti vanhu vageze ndainge
ndatobereka mwana wangu kumusana ndichida
kuenda naye amwene vangu ndokuti ndipe
ndisare naye ..

Vanhu vese vaive pamba vakafara zvikuru


vachiona chiitiko ichi..mwana wangu akabva
aberekwa kumusana hake ..lni na Peter wangu
takabva taperekedzana kumvura akange aine
bhara rakange rinezvigubhu 2 ini ndakange
ndiine mugomo wangu .

"Ndikunzwa kufara mukadzi wangu


nekunzwisisa kwaita amai vangu .
"Kana neni my love ndokufara
zvisingaite..zvinongofadzawo kuti muroora
afarirwe naamwene

Taitaura zvedu tichitoenda kumvura takabva


tasvika ..Peter ndiye akachera mvura ini
ndakagara zvangu..ndakaramba ndakamutarisa
paichera mvura ..ndakatanga kutogaya kuti
zuva remangwana ndipo paizoenda ku Harare .
iii murungu wacho akange andikanganisira
zvisingaite ndaitoda kuenda nemurume wangu.
Zvisinei hazvo handina kunyanya kubatikana
nekuda kwekuti amwene vangu vakange vave
munhu kwaye
asiwoka kunyangwe vakange vachinja ndange
ndichitodawo kugara nemurume wangu
padhuze.

Hapana zvandaikwanisawo kuita Peter aidawo


kutsvaga Mari yekuti akwanise kuchengeta inini
nemwana wangu . .

Akapedza kuchera mvura zvake ndokubva


taenda zvedu kumba tichitaura nyaya tichiseka
..Ndakangosvika kutoona Bee atogezeswa
akatogara pama kumbo
avamwe ...ndakangotarisana newangu murume
..maizomboziva here kuti ndivo here Mai Peter
vaiti havafe vakandida ini nemwana wangu
..vakatopopotera futi mwana wavo kuti
washayei kuda mvana ine mwana wavo ,
zvakaoma chokwadi vakange vachinja Mai
vaya..

,"baba Bee mutofanira kutozodzoka


muchitoresa mwana uyu birth motoshandisa
surname yenyu kumutoresa atove mwana
wenyu uyu.

Vanhu vose vakashamisika nazvo atezvara


vangu vakabva vatotenderanawo nazvo zvainge
zvataurwa nemukadzi wavo

Peter uye akange akutonzi baba Bee namai


vake zvakaoma l couldn't believe this
..ndakatozvisunya ndichida kuona kuti
kwaisava kurota here kwandaita ndakatonzwa
ndichirwadziwa ndikaziva kuti aisave maroto
..zvakandifadza chose ..Zuva iri amwene vangu
vakatogezawo mvura yandakadziisa vakageza
..ndakatobikawo mufunge vakatogara zvavo
vachitamba nemuzukuru wavo .Peter akange
achitoshevedza Mai vake kuti mbuya Bee
vachitodaira mufunge. .Ndakava nemufaro
wakawedzerwa nechemumoyo ndakangoti dai
vakasachinja zvavo ...
Ndakabika ndikapedza ndokuenda kunovata
hangu nemurume wangu . Mangwana acho
makuseni ndakafumo bata jongwe muromo
ndokuita mabasa ose epamba ndikapedza zuva
risati rabuda ndaida kuperekedza wangu
mudiwa uyo akange achida kuenda musi uyu.
*Nhai muroora indava kumukira kudai
watopedza kutsvaira nekusuka

Vakadaro amwene vakange vatomuka ipapo


ndakange ndiri busy kutobikira murume wangu
tea akange achitogeza kuti arove pasi.

"Ndamukira mhamha basa repamba rinoitwa


mangwananika".

"Ah uchizviitirei hako mazuva ano kuti


kutonhora unokuvara nacho chando muroora"

"Musandityire mhamha ndatojaira kana


kwagogo vangu ndaimukira wani".

Ndakange ndotaura navo hangu maizomboziva


here kuti ndevaya vaitomukira husiku vasingade
kuti ndiite basa ,handizive kuti chando vakange
vasinga chinzwewo here pavainge vochira ini
nhasi uno ..ndakaona kuti chakange chitori
chifinhu hacho chavaindiitira ..

Peter akatozopedza kugeza kwave kudya


ndokubva aioneka vanhu vose amai vake
vakabva vamuti.

"Hanzi zingizi gonyera pamwe maruva enyika


ahapere..kwauri kuenda uku kana wakange uine
tusikana ibva watosiya.. wakasarudza mukadzi
wako uyu mwanangu ndiye wauchave naye
muhupenyu hwese...unofanira kuziva kuti
wusiya kuno kwete kuzomukanganwa ".

Vakataura zvakawanda amai va Peter vachiraya


mwana wavo apa ndipo pavakanyatsoratidza
kuti nezvangu vakange vavekundida
pachokwadi ...tete nababa vakataura mashoko
zvekare Kuna Peter kana ari munhu ainzwa
aifanira kunzwa.

Takamuperekedza murume wangu vamwe vese


hapana kure kwavakasvika vakaperera padhuze
ini ndokubva ndamuperekedza kusvika ku bus
stop chaiko

* ufambe zvakanaka murume wangu


chengetedza ose mashoko awaudzwa nehama
dzako kwete kuzondikanganwa ba Bee
ndinovimba uchadzoka kuzondiona sekutaura
kwawakaita haikona kuzoenda zvachose
nekuda kwekuti unenge wawana vakanaka
kudhorobha uku wave kundisema

Ndakadaro ndichionekana naye ipapo tumisodzi


twakange twakutobuda zvatwo. ndakange
ndanzwa sound ye bus iro rakange
ravekutouya..ndopandakabva ndataura
mashoko angu

*l promise my love handife ndakakunganwa


mudiwa wangu Inga ndakakuudza kuti hapana
mumwe wandichada kunze kwako
ndinokuvimbisa ndinouya ndichikuona usare
zvakanaka babe.uchengete Bee wedu uyu
haikona kuzosara uchipa vamwe muchero
wangu wepakati .

Akadaro ndokubva andipukuta misodzi yangu


yakange yazara nemumatama angu ..akabva
anditsvoda pahuma Bee achibva atsvodewa
padama kakabva kanyemwerera kamwana
kangu.
kakabva katambidzwa $5us
"uzomutengera something mwana wangu uyu
byee mai vemwana".

Takabva tambundirana bus rakange ratouya


akakwira Peter ndakaramba ndakamutarisa
paikwira ndokubva ndaona achigara pa seat
raive kudhuze ne window .

*Byeee bae .

Akadaro achindi bhaibhisa moyo wangu


wakarwadza bus rakabva ratoenda
ndakangosara ndakasimudza ruoko rwangu ...
Ndokuenda kwakaita Peter akange andisiya
pamba pevabereki vake achienda kunoshanda
kudhorobha..

Ndakadzokera zvangu kumba ndakange


ndatomusuva kare nema minutes nashoma
atange taparadzana zvisinei aizodzoka
kundiona murume wangu

*Vakwiraka ba Bee
Vakadaro amwene vangu .

"Ehe vakwira.

"Ok don't worry vanodzoka zvavo rega ndiende


ndinotenga nyama kumashops uko kuti
muzobika sadza
mukaka uwande wemwana.

*Ok amai.

Vakaenda zvavo ndikasara natete.


"lnini mupera kwe svondo ndinenge ndave
kutodzokerawo muzukuru ndafara chaizvo kuti
amwene vako vave munhu kwaye .

'lribho tete muzofamba zvakanaka kana ini


ndafara kwazvo.

"Ya ugoterera zvavanenge vakuudza hakona


kuzoita zvekuti uzopesana navo tarisa
mavekuwirirana.
Vakataura zvakawanda tete tikatanga
kubatsirana basa pamba apa vakatozouya
mhamha tikabika sadza tikadya ..ave manheru
Peter akabva afonera amai vake Aida kutaura
neni ndakataura naye akange asvika bho zvake
ndakafara kwazvo kunzwa voice rake .

Mazuva akafamba zvawo ndichibatwa bho


navamwene vangu zuva rekudzokera kwatete
rakasvika...asi Chakandishamisa ndechekuti
baba vakatondionekawo

'Usare bho muroora feel free pano haikona


kusatambanuka ndipo patove pamba penyu
pano ndakumboenda kubasa ku Harare
kudzoka kwangu kuno kupera kwemwedzi ,saka
pano muchange muina avamwene venyu ava na
Pauline

"Mufambe zvakanaka baba.

Ndakadaro ndichityora muzura .

Ndakange ndisingaziveka kuti vaishanda


takavaperekedza vose natete vakakwira bhazi
isu ndokudzokera zvedu kumba...takange
yangosara tiri vaviri hedu .. After 3days tete
nababa vaenda ndakakumbira mhamha kuenda
kunoona gogo vangu vakabvuma ndichibva
ndaenda zvangu ..

Gogo vachindioana vakafara vakange


vavekugara neumwe muzukuru wavo Chengeto
mwana wemwana wavo....

"Urisei musha muzukuru

" Bho zvekuti gogo.


"Ndainge ndakatotarisiraka kutindichakuona
nemikwende yako uchidzoka naivo amwene
vako ava

Ndakavataurira zvese gogo zvekuwirirana


kwandakange ndakuita navo amwene vakafara
zvikuru ..ndakatora chinguva ndiripo pamba
pavo ...ndakatozovaoneka ndokuenda
ndichiona shamwari yangu Chipo yakafara
ichindiona.

"Mai Zuze murisei"

"Ndiri bho ini


"Zvirikungooneka nekutsvindira kudai.

"Varisei dady va Bee.

"Shaa vakaenda vaya

"Haaa Unoreva akaenda achikusiya ko zvino


hausi kushungurudzwa mamai vaya here?

Ndakatanga kumutaurira zvose zvekudiwa


kwandainge ndave kuitwa namai va Peter.
"Inga Mwari variko asikana kana ini
ndafarawo..Takatora nguva tichikurukura
ndokubva andiperekedza kuenda kumashops
ndakange ndatakura mari yandakange
ndapihwa na Peter ndakasvika ndikatengera
mwana wangu pack yemaheu ne pack yema
zepi

"Asikana regai ndichienda ini tinoonana


unopotawo uchiuya kuzondionawo.

"Why not Sahwi ndinouya usandityira.

Ndakabva ndaparadzana na Chipo ndaenda


ndichifambisa sezvo nguva dzainge dzafamba
Ndichisvika pamba ndakabva ndatambirana
nemashoko amwene vangu akarwadza moyo
wangu
.

End of Chapter
* 🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*COLLABORATION STORY*

*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞+27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*

*CHAPTER 1 ⃣4 ⃣*
*NYARAI*

"Wabuda nguvai pano nhaiwe mwana wembwa


ndonguva dzekudzoka here idzi ..kunyepa zvako
kuti urikuenda kunoona gogo vako iwe uchienda
kunorarwa nezvivarume zvemuno muraini kuti
uwane kutengera mwana wako zvawakabata
izvi ndiri kuda kumufonera Peter ndichimuudza
kuti ndizvo zvawave kuita pano ,benzi remunhu
handigare pano nehure ini unoda kuuraisa
mwana wangu nechirwere here? ndanga
ndatochinja moyo wangu kuti uchiva muroora
wangu zvino handichade kukuona
pano..ndakamuudza Peter kuti kuroora mvana
hakuite anenge ariwemunhu wese chionai nhasi
izvo kaizvo mashura andakuitirwa pamusha
wangu".

Mai nhiya takange tangomira zvino tichinzwa


amai va Peter vachitaura mashoko avo aya
vakange vazviwanepiko zvavainge vachitaura
izvi vainge vandiona here kuti ndaibva kunohura
vaifanira kutanga vanzwaka kuti Mari ndakange
ndaiwana kupi panekutaura zvakadai kwandiri.
Misodzi yakatanga kuyera zvayo nemumatama
angu ndakaramba ndakavatarisa pavainge
vachitaura vakabva varidza tsamwa ndokuenda
muimba yangu yandairara ndakashaya kuziva
kuti vaidei imomo ...ndakatozoona nhumbi
dzangu dzave kukandwa panze .

"Nhai mhamha munodarirei kudaro ko muri


kudzikandireiko panze

Ndakadaro ndichimhanya kwavainge vari.

"Getaway nonsense hazvichaita ndigare newe


pano ini benzi remunhu torazvimvemve zvako
urove pasi".

Chandakaita kuburutsa mwana wangu ndokuisa


pasi nezvandakange ndakabata mumamaoko
..ndakapfugama pamberi pavo ndikatanga
kuombera.

"Ndokumbirawo mhamha musandidzinge


ndinoenda kupi zvamuri kufungira hazvisi
mhamha Mari iyi ndakapihwa nababa Bee musi
wavakaenda ku Harare vakati ndizotengera
mwana something ..ndanga ndisina kuenda
kunohura asi kuti ndanga ndaenda kunoona
gogo vangu ndazonomoka ndichiona shamwari
yangu .
"Pfutseke waunoda kunyepera ndiani apa ,
chirega kupa mwana wangu munyama
wekumuti baba Bee
. iro zimwana rako iri urikuriona riri ra Peter here
rakashata kudai ndati ibva pano izvezvi
handigare nepfambi ini".

Vakadaro vachindikandira zvihembe zvangu


kumeso ndakavaona vachito kiya imba
yandairara ..Kupi kwandaienda nhai Mwari kana
vanhu vemuraini vanoti kudii vakandiona
ndavepamba paya pagogo ndaisazoitwa
chiseko chenyika here ini zvichikonzereswawo
naiye Peter akandisiya pamba apa ndakange
ndakamuudza kuti anditakure iye akuti zvekuti
boss wake what what ...Ndakange
ndambozviona ini kuti kuchinja kwakange
kwaita amwene vangu Ava kwainge kusiri
kwechodi pamwe vakange vachida kuti Peter
atange aenda ku Harare vosara
vachindishungurudza ndakashaya kuti ndodii .
Ndakafunga atezvara vangu natete kuti dai
vakange varipo dai pasina zvese izvi ...

Kana ivo gogo vaiti chii ndakange ndatobva


kuvaudza kuti ndave kugara zvakanaka
...ndakachema ndikazvinyaradza ndakaedza
kuvaudza amwene vangu kuti "fonerai mwana
wenyu mumubvunze kuti akange asina kusira
Bee Mari here?' vakabva vatoti
" handitambise nguve"..
Vakange vatove kukichen kwavo inindakange
ndiri panze Bee akange ave kungochemawo
akange aonawo misodzi yakange iripamatama
angu chandakaita ndakamubereka
ndokunhonga zvihembe zvangu zvakange
zvangozara pasi..Ndakaisa mubag rangu
ndokubva ndaenda kwakange kuina amwene
vangu

"Mhamha ndiregererewo chandangotadza


inyaya yekunonoka kudzoka chete ...hapana
kana kunohura kwandanga ndaenda ini".
Ndichingodaro vakabva vandipa mbama zvekuti
ndakaona nyenyedzi.

"Ndakakuudza Kare kuti handisi mai vako


ini..amai vako vakafa Nyarai vakato dyiwa Kare
nehonye angosara mabhonzo chete
muvhu..vakafa mushure mekuromba
kwavakange vakaita zvikwambo zvavo
ndokubva zvavapandukira zvakabva
zvavauraya..uri kundiona sendakafanana navo
here rova pasi Nyarai otherwise ndinokurova
zvekuti unomukira kuchipatara pano hapasisina
Peter l don't think anodzoka futi.. angadzokere
tsvina dzakadai iyeachiona vaneganda
rakanaka kutown uku ...ukutonhuhwa zvako
huzvere puuuuu"
Vakadaro vachindisvibira kumeso rakange ritori
zvaro gararwi ravakange vandinama naro
kumeso ...Ndakarwadziwa zvikuru
ndakangopukuta nechichari Cha Bee
kwakusimuka misodzi iripamatama
...Ndakaenda kwaive nechibag changu
ndakangotora ndokutanga kufamba ndichibuda
pamba apa .

"Usadzoke Nyarai pano ukadzoka


ndinokugadzirisa mwana wemuroyi.

Handina kuvadaira vakange votaura


vachishevedzera handina kure kwandakasvika
ndakangogara pachidombo chaive chiri kunze
kweyard yavo pasango ..Ndakatanga kuchema
zvisingaite
."Nhai Mwari munodarirei kudai Inga wani
manga manyatsopa amwene vangu moyo
wakanaka maregerei Satan achipinda mavari
ndinoenda kupiko ini".

Ndakadaro zvangu hapana kwandaienda ini


gogo vakange vakatondiudza kuti chinenge
chandiwana handaifanira kudzoka pamba pavo
apa ndipo pandakange ndaigochera pahutsi
manje dai ndisina hangu kubvuma kuroorwa na
Peter zvangu ..Dai kwaigara Peter wacho
ndaikuziva ndaienda zvangu ainoita plan
achiona ndasvikako .Ndakatora nguva
ndichingochema hangu mwana wangu
ndakange ndomupa mukakaka akange ochema
..nguva dzakange dzatofamba kazuva kakange
katonyura zvako ndakatozonzwa kubatwa
kwebendekete rangu ndakavhunduka
ndokucheuka ndikaona ari Pauline akange
akatopfeka uniform.

"Ko nhai maiguru zvamuri kusango


muchichema kwakanaka here?.

Shungu dzangu dzakandibata kwazvo tete Pau


pavakandibvunza.

"Zvakaoma tete ndadzingwa namai venyu

Ndakamutsanangurira zvose

"lnga mhamha vane hutsinye handei maiguru


ndonotaura navo .
"Ah tete munoti vangakunzwei here?

"Ehe handei mungaende kupi imi makasiwa


namukoma pamba pedu.

'Handikwanise tete handidi zvekutukwa ini


vanditi ndisadzoke

Ndakaedza kuramba asi tete


vakandinyengerera vakabva vatotakura bag
rangu ndokudzokera kumba ..
Ndakasvika kugara paberere Pemba yangu Pau
akabva aenda ku bedroom kwaive namai vake .

"Iwe inguva yekudzoka kubva kuchikoro here iyi".

"Mhamha Inga munoziva kuti pane kamufambo


apa ko madzngirei maiguru".

"Maiguru vako vapi asivadzoka kubva kuHarare


ndovadzingirei kunge vanga vauya
pano..handina chitadzo navo ini".
"Handisi kureva veku Harare mhamha
ndirikureva maiguru mai Bee mukadzi
wamukoma Peter

"pfutseke zvinei kwauri izvozvo enda


unotibvisira uniform yako uko Nyarai ihama
yako here..Peter ahasati aroora wanzwa.

"Mhamha musadaro please kuita hutsiye


hwakadaro.. ndatodzoka navo maiguru
ndavaona vakagara kuzasi uko.
Amwene vangu vachinzwa izvi vakashamisika
vakabva vabuda mumba ndokundiona ndiri
panze .

"Nhaiwe ndakuti chii handina kuti usadzoke


pano ".

Vakadaro vachiuya kwandainge ndiri vakange


vachitoda kundipa mbama luck enough Pau
akabva avabata huroko.

'Mhamha kanjani zvamuri kuitira Maiguru izvi ini


mwana wenyu ndichizviitirwa
kwandichazoroorwa how do you feel.
"Hazvinei neni izvo wanzwa siyana nei usade
kutaura tumashoko tusina zera newe wanzwa
..nyaya dzangu handidi kuti udzipindire wanzwa
..Iwe Nyarai washinga kudzoka pano ok wait
and see ndatopedza newe

Vakadaro amwene vangu vachibva vatoenda ku


bedroom vakazobuda ndokumira pamusuwo
vanobva vaita zvekukanda makeyes ndokubva
asvika achitema Bee mumusoro make mwana
wangu akachema kani.
"Ngachitinyararire chimwana Chako pano
hapana mwana mucheche wakadii kuchisiya
Kuna mbuya vachene benzi remunhu.

Hapana zvandakataura hangu Pau ndiye akabva


angotor Bee uyu ainge ochema akamutorera
maheu andakange ndatenga ndokubva anyarara
ndakabva ndanhonga makeys Aya ndichibva
ndavhura mumba mangu ..Vakange vanditi wait
and see chii ipapa zvakaoma .

Ndakaisa zvinhu zvangu mumba hangu


zvakange zvabviswa izvi.

"Handei tinogara mu dining maiguru mhamha


vanofanira kunge vapaedza kubika

"Aiwa tete endai zvenyu .

" Umm hoo

Vakabva vandipa mwana ndokugara zvangu


mumba mangu ndichifunga zvakawanda
ndakatozovhundukawo amai VA Peter
pavakange vapinda mumba mandaive ndiri
"Sadza iri idya ungazondifira pano nenzara".

Vakadaro vachiisa pasi vakange variisa


nechekure neni vakabva vaita zvekuripushura
kwandiri negumbo kunge vari kupa imbwa ..

"Mangwana hapana chaunomuka uchiita


wanzwa unofanira kutoenda kugarden
kunodiridza muriwo pamubhedha wega wega
unofanira kuisa 7 migomo yemvura tiri
kunzwanana here"
"Ehoi mhamha .

vakabva vatobuda zvayo ..sadza ravakandipa


zvakaoma chakage chiri chisadza chino
chihombe chakazara ndiro zvekuti chaidyiwa
nevanhu kana 5 chaivo. iwo muriwo wacho
waive mushoma zvekuti waingodya misuva
miviri chete watopera ..Ndakange ndisinawo
appetite ndakabva ndangopawo Bee achibva
adya rakarasa ndichibva ndaenda kunorasa.

Ndakarara ndichifunga kudzingwa kwandainge


ndoitwa pamba apa ..lwo mugariro wacho
wandaizoita kumberi wainge wakamira sei ..
handizive hangu Mwari.

Kuchichena ndakaitwa zvekumutswa

"Handina kutaura kuti ukasire kumuka here ini


uchiri wakavatirevei
. pano handidi nyope ende hapadyiwe
wakagara"

Vakange vari amwene ndakangobva ndamuka


ndokubereka mwana ndokutora mugomo

"Ndiri kuda kukupa 30minutes unenge wapedza


garden rese pano pane basa rinoda kuitwa .
"Ok mhamha

"Handisi mai vako Nyarai

Zvakaoma ndakabva ndangonyararawo ini


ndokuenda ku garden kwacho.

ndakasvika kugarden kwacho ndikaona kuti


ukange usiri muriwo wainzi ndingaoedze
30minutes chete ..raive rino garden hombe
makange kaiswa zvakasiyana siyana kana iwo
migomo 7 pa mubhedha mumwechete
ndaigona hangu ndaisafa here?Ndakaisa
mwana wangu pasi ndikatanga kudiridza
musana wakati wochirwadza zvawo uyu iii
muriwo wainge wakawandisa ndakati regai
ndimbozorora ndozosimudzira plus futi Bee
akange ochema ..ndaive busy kumuyamwisa
hangu amwene ndakabva ndavaona
vachitopindaugarden muyq.. vakauya
kwandaive ndiri vakaita kushatirwa.

Hapana chavakataura vakangotora mugomo


wemvura ndokuvaona vachienda kwataicherera
mvura yekuduridzisa .

l thought kutika varikuda kundibatsirawo since


vainge vaona kuti ndaive ndisati ndapedza
vakauya nemvura yavo vakaita se varikuda
kugadzika pedyo neni ndokubva ndaona
vachindidururira mvura yese yaive mugogomo
pamuviri wangu wese newa Bee ..Bee akange
atori pamakumbo nekuti ndaimunwisa mukaka
..Bee akabva atanga kuchema yaitonhora
mvura iyoyo zvisingaite nekuti akange achiri
makuseni.

End of Chapterr

🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

*COLLABORATION STORY*

*BY*
*LEE aka MAI RYAN*
📞±27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*

*CHAPTER1 ⃣5 ⃣*

*NYARAI*

" Ko munoitei nhai ,kana muchiitira hutsinye


itirai ini kwete mwana wangu atadzei chokwadi"

Vamwene:"Pfutsek hapana hutsinye hwandayita


kwauri kutokuranga handi uri mwana
akatongofanana naPeter saka kana watadza
ndine kodzero dzekukuranga.Ndakuti garden
ngaridiridzwe ne30 minutes , dzapfuura
kare.Hausati wapedza wakatogara hako pasi
uchipa kagora kako mukaka.Kusatonyara kuti
"musaitire mwana wangu hutsinye anozivei
,"haasi kudya sadza rangu here mwana
wako.Pawakauya kumba kwangu wakauya
nehupfu here zvawayiziva kuti mwana wako
akakosha sterek anoda kubatwa
zvakanaka.Kuuya kuzodya chikafu changu
chemahara hamuna kana pundutso
yamunondipa.Dai wayiziva kuti mwana wako
unoda abatwe zvakanaka usina kuuya naye
pamba pangu.Kasika kusimuka apo udiridze
ndisati ndachera imwe mvura ndakudira
izvozvi."

Ndakasimuka ndakabereka mwana wangu uyo


ayive ongochema chinenge chaive chave
chando.Ivo vakabva vabuda
vakayenda.Ndakasara ndakadiridza mihomba
yaive yasara mwana ari kumusana ndayiita
kunzwa chest yangu kurema nekuti Bee ayinge
atove kamunhu kati kurei zvaisayita kuti ndiyite
basa ndakamubereka asi paive pasina
yekutamba nekuti ayive oramba pasi nekuda
kwechando.Plus kumusana ndayitira kuti
adziyirwe.Ndakazopedza hangu kudiridza
ndakasiya ndavhara pagarden ndakayenda
kumba.Dzanga dzatove kuma10am
ndayitarisira kuti ndinosvikowana chikafu
chemakuseni.Asi ndakasvika pasina kana sign
yechikafu.Mumba makachena zvokuti
ndayitonyara kufamba mumba makachena
kudaro ,maplates ose akanzi mushelf ndaa ,nda,
ndaa pasina kana neone yakasviba.Ndakangoti
pamwe vabikira kudinning negas
sezvavanosimboita.Ndakabuda ndakayenda
kudinning.Ndakaona musina kana sign futi
zvinhu zvese zviri panzvimbo ivo vatove
mubedroom havo.Ini nyoka dzaive dzorira
mudumbu.

Ndakanochinja kubvisa hembe dzemwana


dzaive dzakatota ini ndaive ndatooma
nezuva.Pandakamuchinja ndakayenda
kunogara paverondor .Bee akabva achemera
mukaka ndakamupa.Ndayita kunzwa moyo
wangu uchiita kunge urikuyenda mudenga
nekuti ndaive ndane nzara saka kuyamwa
kwayiita Bee zvayitowedzera kana mukaka
wacho maive musina ayitondiruma zamu Bee
achichema.Zvakandipa kuti ndinobvunza kuti
tobikeyi kunavamwene vangu.Ndakayenda
pamusiwo pavo ndakayita zvekushevedzera.

Me:"Mbuya vaTaku tobikei zvemakuseni."

Vakaramba vakanyarara havo kunge


vayisandindzwa.

Me:" Ndati ndobikei mbuya vaTaku ndapedza


kudiridza kugarden."

Vakaramba futi vakanyarara zvakandipa


kusiyana nazvo ndakayenda kunorara mumba
mangu .Ndakachema zvekudemba kuti
chandayinge ndarorerwa naPeter chii.Dzave
kuma1 ,Bee ayive akungochema ayinge oramba
kana zamu chairo.Ndakanzwa mafootsteps
mudinning ndakabva ndatoziva kuti
ndavamwene vangu ndakatoto pamwe vave
kubika.Ndakabuda ndakabata Bee
mumaoko.Ndakavaona vagarogara havo
vachinwa mazowe pasina kana sign yekuti
payibikwa.

Me: "Maswerasei mbuya vaTaku.


Her:"Ndaswera hangu"

Me:"Tobikei ndanzwa nenzara tese nemwana."

Vakatanga kuseka havo zvokuti ini ndaive


ndangotarisa.Vapedza ndipo pavakazoti

Her:" Apera here mazap nemahewu


echirungu."Pamari iyoyo dai uyine dzinofunga
handi wayitenga muriwo touya todya sadza
kuno kana chingwa tonwa tea.Zvino kwete
wakasarudza kutengera mwana wako mazap
kunge wakauya nechikafu pano.Kana ari Peter
akakusiyira mari iyoyo kunyangwe dai akati
ndeyemwana asi ayitoziva chinangwa chemari
iyoyo . Akati uchashandisawo pfungwa
semunhu anofunga asingazive kuti munhu
waari kusiira dzakatamba nepwere anofunga
kunge muEcd b.Nhasi mave kuchema nzara imi
nezuro makadya mazap chingonwirai mvura ka
handi makanakirwa.Mave kuda kudya chikafu
chani pano."

Ndakaoona kuti haasi mufunies pano.Vakabva


vapinda mumba mavo vakazvivharira
door.Ndakabereka mwana wangu ini kwambuya
vangu ndaive ndafunga hangu zvekudzokera
kumba kwagogo vangu
zvachose.Ndakatovasvikira vakagara havo pasi
pemumvuri vachinwa mahewu.Kungoburutsa
kwandakayita Bee akabva amhanya kunotora
cup yambuya akanwa mahewu ese asina kana
kuyisa cup pasi apo akayita kuchonjomara.

Gogo: " Hezvo ko mwana chii akagoyita kunge


ane nzara kudaro asi hausi kubikira mwana
Nyarie.

Me:" Kubikira mwana chikafu chacho


chichibvepi nhayi ambuya.Handizive panogara
chikafu chavo ini kusara kwehupfu
chete.Zvimwe zvese zvinoyita kuburitswa
topihwa zvino nhasi ndamukira kudiridza
kugarden pandadzokera kumba ndasvika
pasina kana chikafu ndashaya pekutangira.

Gogo: "Hezvo ivo havako here."


Me: "Variko havo pandavataudza varamba
vakanyarara kusvika masikati ano
pandazovaona vari mudinning.Vati hatikodzere
kudya nekuti hatina kuuya nechikafu plus
kutengera Bee mazap kwandakayita
kwakavarwadza."

Gogo:" Haasi zuro here pawayiti muri kuwirirana


saka nhasi zvazobvepi."

Me:" Iii hapana kuwirirana gogo zvatove worse


nekuti kundirova vanotondirova chaiko.Ini
handichada hangu kugara ikoko nhasi chaiye
ndadirwa mvura inotonhora naBee .Ko kana
vachiita hutsinye ngavaitire ini zvee ko mwana
wangu aparei nhayi.
Gogo:" Saka wafunga kunogarepi nhayi
muzukuru."

Ndakarohwa nehana pandakanzwa ambuya


vangu vachibvunza mubvunzo iwoyo apo
vayitotaura havo vakadzikamira.

Me:" Pano zvee nhai gogo ko kumwe


kwandingayende ndekupi."

Gogo:" Iii ayiwa pano kwete sekuti wakarorwa


Nyarie wave mukadzi wemunhu ende hauna
kurambwa nemurume wako .Kana wafunga
zvekudzoka pano unouya negupuro pasina
izvozvo usadzoke pano.Unoda kuti svooresa
neraini rose kuti togonzi tine hudyire tinoyita
mwana business rekutsvagisa mari.

Me:" Saka ndoyita sei nhai gogo ndonofa here


nenzara chokwadi"

Gogo: " Enda hako unofa muzukuru ndiyo imba


yacho ini ndaive ndaramba asi iwe wakayita
nharo .Wakazvisarudzira wega nzira yako saka
chaoma chii.Hanzi zano ndoga akawonekwa
nembonje pahuma ndiyo iyo.Wayiti gogo
havandide vanoda kundishandisa pamba pavo
ana sekuru vangu ndivo vanondida iyezvino iwe
uri kutambura ivo vachidya mari yako
yekurorwa.Muromo wakaoma nenzara ivo vari
kuyita kudzvova nhururu
yekuguta.Chandinongokwanisawo kukupa
chikafu chete parizvino.Kubva mangwana
usadzoke pano hazvidi kuti ungodzoka pano
mangwana mangwana.Kana wazofunga
zvekudzoka unouya nemurume wako
motandara modzokera henyu."

Ndaive ndochema neshungu nekudemba kuti


chandakadira hangu Peter.Chakauya chikafu
takadya ,tichipedza zvakabva zvanzi nagogo.

Gogo"Maguta chiberekanayi muyende."

Me: Mobva mayita wekuti dzinga here gogo.


Gogo: " Asi kudii ,munhu kumba kwake.Handi
dai ndakaramba ndakatsika madziro kuti
usaroorwe naPeter wayizofamba wotaurira
vanhu kuti "mbuya yangu inenge inoroya ,
yakatondipa murume wechikwambo chete
ndosaka vasiri kuda kuti ndirorwe vari kutyira
zvinhu zvavo kuti zvinozosara zvobatana neyi."

Me: Iii gogo.

Gogo:" Chokwadi muzukuru handi mumhu


akachembera ave muroyi."

.
Me: " Rega ndiyende hangu ndonozviona ndave
mberi.

Ndakasimuka takatanga kufamba hedu


nemwana wangu handina
kumubereka.Takananaidza kusvika
tisvike.Ndakatosvika vamwene vangu vakagara
paverondor vachiyimba vachisarudza beans ini
ndayiti vachandipopotera kana kundibvunza kuti
ndayibvepi asi kana zvavo.Ndakangosvikawo
kugara paverondor nemwana wangu
.Ndakazonzwa.

Her:" Eh Nyarie ndibatidzirewo moto tigadze


beans pamoto."Ende dzinoda kugarirwa kuti
dzisatsve nematanda ari apo haatombode kuti
munhu abude mukitchen."
Me:" Ehoyi ndinogarira hangu".

Ndakatofara nechemumoyo kuti vaive


vatotaurawo neni zvakanaka.Asi nguva dzacho
dzavayida kugadza beans zuva raive ratorereka
ndakatoshaya kuti dzaizoyibva nenguvai kuti
vanhu tizodya.Zvisineyi ndakasimuka
ndakanobatidza moto ndapedza ndakagadza
beans pamoto ndakagara hangu mukitchen
ndichikuchidzira kuti dzikasike kuyibva.Tete
Pau vakatobva kuchikoro vakandisweresa
ndokubuda havo.

Ndakakushidzira beans ndirimo


mukitchen.Zuva parakanyura ndayitarisira kuti
vanhu vachauya kuzonditandadza tichimirira
beans dziibve asi kana.Dzatove kuma 8pm
ndipo pakayibva beans ndakabva ndabuda
kunotora salt nemafuta kuna
vamwene.Ndichipinda mudinning ndakatoona
vamwene vangu vachitopedzesa kudya sadza
nematemba.Tete Pau vayisavemo.Ini
ndakangoti zvimwe beans dzavanonokera
kuyibva ndosaka vafano kudya havo
nematemba.

Me:" Dzayibva ambuya vaTaku chasara isalt,


madomasi , onion nemafuta."

Her:"Don't worry hadzisi kudyiwa nhasi


ndedzemangwana dzekuyisa murice."
Me:" Ok

Ndakabva ndagarawo pasofa .Ndaive ndamirira


kunzi nditore chikafu."Bee akabva atanga kuti
"tadha" achinongedzera muplate mavamwene
achitarisa inini kumeso.

Vamwene:" Tadha ,asi hamusi kuyenda kunodya


kwamadya masikati"

Me:"Masikati tadya kwagogo mwana anga


akuchema nzara dai ndiri ndega hangu
ndayiswera nayo."

Vamwene:" Wabvunzwa nani kuti madya kupi.Ini


ndangoti kwamadya masikati dzokerai futi
munodya ikoko nekuti ini handina chikafu
chekukupai."

Me:" Kusvika rinhi nhai ambuya vaTaku indava


musingade kunyarwa imimi.Peter akandisiya
pano kuti ndichagara pano saka munotarisira
kuti ndinodya kumba kwedu kuti zvidini.
Ndakati rega ndimbotaurawo ayiwa zvaive
zvanyanya.

Vamwene:" Hedee saka wanga wafunga


kundirova here zvawati handidi
kunyarwa.Ndirove simuka undirove.

Ipapo vaive vayita kumira


vakanditarisa.Ndakaona zvokuti ndirambe
ndichinetsana navo ndaive
ndisingade.Ndakasimuka ndakatora mwana
wangu takanovharirana mumba
mandairara.Takatanga kuchema mai nemwana
pasina anonyararidza umwe.Iye ayivewo
andibata chibharo ndiye akandikanganisira
hupenyu hwangu chokwadi.Ndakazoona door
ravhurwa vaive tete Pau vaive vakabata plate
yesadza.
Pau: Maiguru idyai sadza iri.

Me:" Mariwanepi tete.

Pau : "Nderangu randapakurirwa zvino ndatadza


kuridya ndakaguta saka ndanyepa kuti
ndakunodyira mumba mangu iri plan yekuti
ndivhare sadza. Vanga vatondiudza kuti vari
kukunyimai chikafu saka ndaona kuti nditsindire
vamwe vachifa nenzara hazviite.

Me:" Madyei nhayi tete.


Pau:" Zvakawanda maiguru ndatengerwa
nemukomana wangu."Zvimwe ndatosiya
zvirimo mubag rega ndinotora ndipe Bee.

Vakabva vabuda takasara tichidya sadza


nemwana wangu.Zvokuti ndaive ndasiya beans
dziri pamoto ndaive ndatozvikanganwa.

Tete vakabva vadzoka vakabata mabiscuits


mavanila creams.

Pau: Aya maiguru

Me:" Thanks tete asi muchenjerere mukomana


wenyu iyeye.Musanyengedzwe munopihwa
nhumbu.

Pau: Ok maiguru tinotoziva pekutamba


tichigumira.

Me: Zvinotendwa.

Tapedza kudya ndakangotsvaga pekupukutira


maoko imo mumba mangu .Zvayisayita
ndibude kunogeza maoko.Takatandara natete
kusvika vabatwa nehope vari mumba mangu
.......
End of chapter 15
🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

*COLLABORATION STORY*

*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞±27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*
*CHAPTER 16*

*MAI vaPETER*

Ndakasara ndoseka hangu ndega vanhu


vayenda Harare.
Haadaa chokwadi vanhu havandizive
ini.Ndakatonyara hangu mwana wangu ayive
afunga kuramwa musha nekuda kwemvana
yake.Zvakandipa kuti ndinyepedzere kuda
Nyarai ndayiziva kuti paive pasara mazuva
mashoma kuti vayende vanhu vayimusayidhira
ende hapana akambozviona kuti ndaive
ndichinyepedzera zvangu nekuti tsoro dzangu
ndayidzitamba mushe pasina anofungidzira.

Zvayiita kundibata pandayishedzwa kunzi


mbuya vaBee asi ndayisakwanisa kuramba
semunhu ayi pretender ndayingotsvira mukati
hangu.Vakazoti vayenda ndakatanga kubata
rough Nyarai ndayida kuti Peter paanozodzoka
anowana Nyarai ave kumba kwavo.

Ndaive ndomunyima chikafu ndayiziva kuti


nzara yakamubata chaizvo vese nerwumwana
rwake anorongedza mabag voyenda.Musi
wandakamunyima chikafu muswere wese
ndayinyatsozwa kufara. Ndayiona ndatobudirira
kuti ayende kumba kwavo.Chikafu chese
chayigara muhozi ende ndini ndayigara
nemakey.

Paakasvika ndichidya sadza remanheru iye


achibva kukitchen kunokushidzira beans
akarwadziwa akabva ayenda
kunorara.Ndakayenda kukitchen
ndakanowedzera huni pamoto kuti beans
dzitsve ndoona chekutukira
Nyarai.Ndakakamura mvura kuti dzikasike
kutsva.Dzakadhogodhera ndakatarisa hangu.Ko
ndayirwadziwa neyi idzo dzaive dzakazara
mabucket maviri muhozi.Kana dziri huni
hadzisi dzenhamo.Saka ndakatofara kuti
dzitsve ndione chekutukira Nyarai.Dzatsva
ndakabva ndayenda mumba make maayive
akarara.Ndakashisika kuona Pau arimo.
Ini ndakangonanga pane wangu Nyarai
ndakamumutsa nembama.Akayita kuvhunduka
zvokuti akaonha kubva pamubhedha.

Me:"Bratshit mai vakafa vachibuda


honye.Kutorara hako hope uchipisa chikafu
,unoziva kuti chikafu chinorwadza kuwana
seiko iwe heee".

Pau akabva amuka.

Pau: Noise ndeyeiko nguva dzino.


Me": Kutopisa beans hake "

Nyarai:" Ndakanganwa sorryi.

Me:" Ndidzo dzauri kuswerera mangwana


hatingarase chikafu"

Pau:" Mamha asi munomboziva kuti muri kuyita


hutsinye ,maiguru neni hatina kunyanyo
kusiyana ivo vane 18 ini ndine 16 years saka
sei musingavabate zvakanaka dai iri chembere
zvayinzwisisika zvino namukoma Peter
vakasiyana ne10years dzakakwana saka chaipa
chii nekuti vane mwana here.
Me:" Nyarara iwe hapana chaunoziva zera rako
iroro wakutoda kundiudzira zvekuyita pamba
pangu.Zvino manje handitongwe nemwana
wandakagomera ini"

Ndakabva ndabuda zvangu ndaive ndapedza


naye.Zvezuva iroro zvaive zvakwana...

*NYARAI*

Ndakazomutswa nembama ende


ndakavhunduka . Vamwene vakapopota
ndokubva vayenda havo.Ndakasara ndakarara
asi pfungwa dzangu dzaive dzofunga Peter kuti
ndingotaurawo naye pamwe angayite plan asi
kuti ndayizotaura naye sei ndipo pandainge
ndisina zvangu plan nekuti ndaive ndisina
foni.Ndakazobiwa nehope ndakarara
hangu.Kuseni kuchiyedza ndakasiya Bee
akarara natete sezvo yaive weekend
ndakanotsvaira yard , ndakasuka
nekutsvaira.Ndakapedza zvese kazuva kaive
kachangobuda ndidzo time dzakamuka mai
Peter.Vakanorasa weti yavo ndakaona vobata
mutsvairo ini panguva iyi ndaive ndakagara
paverondor.

Ndakaona mumhu ave kutsvaira yard yandaive


ndati ndapedza.Ini ndakangosiyawo ko raive
simba rangu here rayishanda asi
ndakangorwadziwawo nekuti vaive
vandishora.Tete vakabva vamuka panguva
iyoyo

Pau : Ko.mamha muri kutsvaira yard yatsvairwa


kare hanzi zvadini.

Vamwene: Wakayitarisa urikuyiona kunge


yakatsvairwa here iyoyi.Yakamarwa marwa
marara ese azere.

Pau: Dai muri vamwene vangu ndimi vandayida


imi zvino makaona muroora akanyarara
.Mapudzi anowira kusina hari chokwadi.
Vamwene: Aah wayigondidii.Ndinonzi Masigede
kaini.Lioness shumbakadzi inobvira moto
mukanwa mambo vesango ,woti ini
ndinovhunduka mutsindo webete asi ndinenge
ndakanyeperwa mutupo.

Tete vakabva vanyarara vakadzokera havo


mumba.
Vakatsvaira yard yose vakapedza vakabva
vayenda padara vakadonhedza mandiro ese
pasi vakatanga kusuka.Vachipedza vakayenda
mukitchen vakatanga kutsvaira nekukorobha
patsva.Ndakasvotwa kusvika pekupedzesera
zvinhu zvandaive ndayita kumukira munhu ouya
odzokorora.Ndakasimuka ndakayenda
kukitchen.
Me: Dai manga musingade kubatirwa zvinhu
zvenyu makataura.Shuwa mandisvoorei zvinhu
zvandayita nemoyo wangu wese.

Vamwene: Unogoyita nemoyo wese kunge uri


kuyita basa pamba pako sei.Pano panonzi
pangu pano saka ndinoyita zvandinoda kana
ndaona zvisina kuyita mushe.Seipapa wati
wagadzira mumba imo makazara zvicobra
zvawayita kuposherwa kana kushainisa
hauna.Ende hazvishainisike nekuti wanga
uchiyita kunama kunge uri kunama imba
yambuya vako nemadhaka.Chete haisi mhosva
yako waive wajaira matanga ambuya vako
amunodzira nendove saka zvefloor zvitsva
kwauri.
Me:" Asi nhai mai Peter ndakanyatokutadzirei
chaizvo nekuti mhosva yangu ini handiyizive.

Vamwene: Chingobva pamba pangu kana


uchida kuwirirana neni.

Me:" Ndinogobva sei ipo paripo pandakasiwa


nemurume wangu handi ndiri muroora wenyu.

Vamwene: " Saka ndizvozvo woyita zvandinoda


nekuti pano ndepangu kana wazovakaka kwako
woyita zvaunoda ikoko.Umuudze Peter
akuvakire musha haundione kana gumbo rangu
ikoko.Beans dzakatsva wadziisa kupi.

Me: "Ndadzirasa ndanga ndichida kusuka hari."

Mamha: "Heya uchaswera nenzara kutorasa


hako chikafu kuguta."

Me: "Handi dzakatsva zvekusadyika here


mamha."

Vamwene: " Saka imhosva yani iyoyo.Ndini


ndakapisa here ini.
Me:" Ayiwa dzakangotsvawo.

Vamwene: "Usati dzakangotsvawo ita


ndakapisa.Kutowaster hako chikafu kunge
wakauya nechikafu pano.Hausi kuzodya nhasi
iwe nekagora kako.Kachingomisa manzeve
kana kakudya ungati katsuro."

Ndakayita kunzwa hasha ndakangoti dai vasiri


mai vaPeter ndayivadira mbama
chaiyo.Ndakazongodzipedzera pakusunga
mazino ndakanogara pasi.
Vakayita basa ravo vakapedza vakabika tea
nerice.Vakapakura ravo neratete Pau chete.Bee
akatanga kuchemera chikafu tete vakatanga
kudya naye.Zvaive nani ini hangu munhu
mukuru chero ndakaswera nayo zvaive zvisina
basa.Ndakanorara hangu mandayirara ndipo
pandakabva ndaona mabiscuits andaive
ndapihwa natete Pau.Ndaive ndatozvikanganwa
kuti pane mabiscuits.Ndakamatora ndakadya
ndakanwira mvura.Ndakazoona tete vauya
naBee.

Pau : Ummm maiguru madii mambotaura


namukoma .
Me: Ndotaura navo payi handina foni.Kana mari
yekujusa yacho kurikunzi ndaona anondipawo
foni , handina.

Pau: "Ndichakuyitirai plan motaura navo."

Me: Ok thanks tete.

Vakabva vabuda ndakasara ndakayamwisa


mwana wangu akabva arara neniwo ndakabva
ndabatwa nehope ndakazomutswa natete Pau.

Pau: "Ndauya nefoni iyi taurai namukoma".


Me: "Ndeyani hayisi yamamha here iyi."

Pau: Zvokuti ndeyani hazvina basa .Imi fonai


chete murikuda kutaura namukoma here kana
kuti hamusi kuda.

Me: Ndinoda

Vakabva vanditambidza foni vatodialer number


dzacho kare.Yakatanga kuringer asi haiyina
kudairwa kusvika yakatata yega.Ndakayedza
futi kechitwo.Yakaringer papera chinguva
ndakazonzwa "Hello", ndakafara. Door rakabva
ravhurwa vaive vamwene zvakandipa kuti
ndidedere ndichidonhedza foni.Peter
akangoramba achiti "Hello ". Vamwene
vakasviko nhonga foni pasi paye vakabva
vakata vaive vasati vataura chinhu.Vakazotaura
mushure mekunge vayidambura.

Vamwene:"Zimbavha remunhu wayitora sei foni


yangu."

Pau: "Ndini ndavapa kuti vataure namukoma"

Vamwene: "Kutaura chii chaunoda kuti vataure


nefoni yangu.Kana achida zvekutaura naPeter
ngaatenge yake foni kwete yangu.Ende
usambofunge zvako zvekuyita makuhwa kuna
Peter haambozvibvume nekuti ndiri mai vake
woda kutipesanisa iwe zvako mutorwa ..
Vakabva vabuda takasara takangotarisana
naPau...

End of chapter 16

💋NATTY💋&MAI RYAN LOVES YOU All😍*


*

🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

*COLLABORATION STORY*
*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞+27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*

*CHAPTER 1 ⃣7 ⃣*
*PETER*

Ndakange ndave nemufaro wekuti amai vangu


vakange vakufarira mukadzi wandakange
ndazvisarudzira nemoyo wese handiti zvinonzi
moyo muti unomere paunoda here?..Ini wangu
wakange wakatomera panaiye Nyarai iyeye
wavakange vasingade vachiti imvana ,kuva
mvana kwake kwakange kusina basa neni
chandaida paari munhu akange aine hunhu
netsika akazongo kanganisirwa nevane moyo
wakaipa wekubata vana vevamwe vanhu
chibharo..chandakazongofarira kunzwisisa
kwakaita amai vangu vakatozviona kuti
vanosvikepi vasingade muroora wavo uyo
akange ave mumusha wavo .
Zvakandipa kuti ndichienda zvangu
kwandaishandira ku Harare ndakasimuka
pfungwa dzangu dziri pamwechete .lnyaya
zvayo yemari yandaitsvaga ndaitodawo kugara
nemukadzi wangu ndichimuona everyday..
Kubva musi wandakange ndaenda ku Harare
ndakangotaura naye Nyarai kamwechete zvako
musi wandakatosvika ,ndakange ndisati
ndamutengera phone yekuti ndikwanisewo
kutaura naye nguva dzose ndichimubvunza kuti
akange arisei nemwana,Amai vangu
zvavakange vaine phone ndakangoti ndinenge
ndichitaurawo naye ipapo ...ndaizomutengera
kana ndichinge ndatambirawo pay yangu
yekupera kwemwedzi ..

Ndaigara zuva nezuva ndichida kutaurawo na


Nyarai ndaitofonera mhamha ndichiti vape
mukadzi wangu phone asi amai vaitoti ahapo
ndaibva ndavaudza kuti kana achinge auya
mumupe phone voti ok ndinenge
ndakatotarisirawo kuti ndichaona mhamha
vachitofona kuti nditaure naye ndinongoona
zero zero dzimwe dzenguva ndinobva ndatoti
regai ndifone phone yavo inorira pasina kana
aidaira or inenge yakatodzimiwa zvayo.

Ndakatozova nendangariro kuti ko sei amai


vangu vainge vogara phone yakadzima
ukavafonera dzimwe dzenguva vaisadaira
ndakava nemubvunzo usina anopindura
..ndakatozosvikawo pakugaya kuti zvimwe
vakange vasingade kuti nditaure na Nyarai
maybe vakange vachinja hunhu hwawo
..Ndakange ndatove ne2 wks ndabva kumusha
pakange pangosara mwedzi mumwe chete kuti
nditambire ndiende kunoona Nyarai ndakange
ndatoperawo chido chekuvafonera mhamha
nekuti vaisadaira phone yavo ndakange
ndatongomirirawo zuva randaizoenda kumusha
kwacho..

One day ndainge ndakatorara zvangu ndaneta


nebasa ndakatovhunduka pandakatoona call ya
mhamha ndakanyemwerera ndikati zvimwe
vandifungawo vadawo nditaure na Nyarai
..ndakanzwa hasha pandakadaira pasina kana
wandakanzwa achitaura phone yakabva
yatokata pandakati ndifone back yakange
yavekutoramba ,ndakaedzakufona 20times
kana kuita haina ndakatombofunga kuti zvimwe
vainge vafona isina moto ...ndakarara ndichiti
zvimwe vachafona ndione dololo kusvika
kuchene ah ndakazvishayawo ini
ndokungosiyawo zvakadaro ..
After 3 days pazvainge zvaitika izvi ndaive ndiri
pa lunch time phone yangu yakarira yaive iri
new number yandisina kuziva kuti yainge iri
yani..

"Hallo

Ndakadaira munhu iyeye akabva angotanga


nekungochema zvekuti ndakatoshawo kuti zvii
zvaitika
*NYARAI*
Tete Pau vakange vatoratidza zvavo chido
chavo chekuti nditaure namukoma vavo ne
phone yamai vavo .zvandaitwa namai vavo
vainge vasingatombo zvifarira zvachose ndiye
munhu aitondionawo semunhu pamba apa
ainge atosiyana namai vake vaitondiona
semhuka yesango zvayo..

Ndakatofara mufunge pandakanzwa phone ya


Peter ichirira pandakati ndichidaira amwene
vangu ndokubva vauya vachitotora phone iya
..Ndakarwadziwa handidi kunyepa ndakabva
ndangotarisana na Pau ndokubva
ndazvidonhedzera pamubhedha ndikatanga
kuchema .

"Nhai Mwari ndodii help me ndosvika kupi


ndichibatwa semuranda kudai ndanga
ndatofara kuti ndakutaurawo nemurume wangu.

"Maiguru musacheme kani don't worry


ndichaiba again ndinovataimira pavanenge
vachigeza l promise munotaura navo chete
mukoma.

Akadaro Pau akange ondinyaradza


ndakamunzwa oshevedzwa namai vake ahana
kuzodzoka ndakasara ndega ndakabva
ndangobatwawo nehope ndichichema kudaro
ndakatozopepuka door parainge rovhurwa
zvinehasha ndakavhunduka kwainge
kwatochena kare .

"Watoveka boss vepano unomuka nguva


dzaunoda .

Vakadaro vachindidururira mvura


mumagumbeze amai vA Peter pamubhedha
futi..

*Iwewe ndiwe uchataurira vamwe kuti zivai


kwekunoroorwa,nezuro wakange woda
kufonera mwana wangu zvidii nephone yangu
manje? ..*
Vakataura izvi vachindisunya nzeve .

"Nhai mhamha munodarirei kundidaro tarisai


mvura yazara pamagumbeze iyi
..ndangorarisawo kwanhasi chete chero
ndikakasira kumuka kwacho zvandinenge
ndaita munozvidzokorora futi saka
zvakangofanana nekuti..."

Handina kupedzisa zvandaida kutaura


ndakabva ndainzi mbama ..

" Unondiona sendiri mwana wako here ini


unondipindura like that sure.. dai uchiziva kuti
ndiri amwene haundipindure so.. zimwana
rakabva kusina vanhu sei usina kuraiwa iwe !"

Vakadaro ndokudhonza zvimagubeze izvo


zvainge zvangotota nemvura . Bee mwana
wangu ndiye ainge ochema akange asina hake
kutota mvura haina kunge yasvika paari nekuti
akange akafuga gumbeze yakange isina
kusvika mukati kuchema kwaita aitoda mukaka
chaiwo akange amutswa ne noise inini ndini
ndakatota because vakaita zvekundikapira
chaizvo ..

Amai ava kana vaisaroya hameno vakabva


vamatora ndokuenda nayo panze
vachimadhonza akabva azara madhaka.
"Zimwana rako rinotoita weti zvaro magumbeze
ari kunhuwa weti aya..kasira Nyarai uende
kunowacha hako.thats why ndakataura kuna
Peter kuti mvana ine mwana wayo haiite chiona
mwana wako aitira magumbeze emwana
wangu aya wakadii kuuya neyako kubva kumba
kwenyu zvese waida kuti uzviwane pano
here?.asi waifuga sagi kumba kwenyu
ndokunyara kuuya naro pano"?.

Zvakaoma weduwee weti ipi yakange


vachitaura apa mwana wangu
ndaitomupfekedza zvakakwana kuti weti
isabude vaida chete kungondipfidzisa kuti
ndiwache iwo magumbeze akange
akangozvichererawo zvawo,ndiwo vakange
vaita kuti yasvibe nekuisa mvura kwavainge
vaita ndokumadhonza vachiisa madhaka
Hapana chandaikwanisa kuita because painge
pari pamba pavo ndaingoita zvose zvavanenge
vati ndiite kusvika murume wangu adzoka..
ndakaenda kunomawacha sezvaakange vareva
.Ndiwo wakange watove mugariro wavamwene
wangu uyu dzimwe dzenguva vaindinyima
chikafu ndainge ndoita zvekutsanya chaizvo ..
murume wangu akange atori murima hapana
kana chaimbozivawo izvezvi aitofunga kuti
ndigere zvakanaka ...ndakashaya kuziva kuti
ndotaura sei naye ini ndakange ndisina phone.
"Nhai tete Pau hamuzive number dza mukoma
wenyu here nditaure naye"

.ndakataura izvi Kuna Pau mushure


mekurwadziwa ne zvakange zvaitwa mwana
wangu rimwe zuva akange atsemura cup
yedhaga yaamwene vangu mwana wangu
akarohwa seachafa moyo wekubereka
wakarwadza ndikabatikana zvekusvika pakuda
kutsvaga angandibatsirawo ne phone kuti
ndifonere murume wangu ndimuudze
mabatirwo andaiitwa namai vacho ndakange
ndasara mabhonzo chete uku ndaiyamwisa
handaiwana chikafu dzimwe dzenguva
ndaitoponeswa naiye Pau ..

"Ndinodziziva nemusoro maiguru ko phone


munoiwana kupi kuti mufone ne yamhamha
handichaiona kubva musi uye wavakauya
vakatitorera

"Handishaye plan tete ndinoenda kufonesa neya


Chipo ndanga ndatozvikanganwawo kuti ane
phone.

"ok Mirai ndikunyorerei paka paper "

..anonyora Pau amai vake vakange vabuda


vaenda kumusangano so ndakabva
ndatongooneka Pau wacho ndakabva ndananga
kwana Chipo .
End of chapter

*Note that book iri rikunyorwa nevanyori 2 Natty


and Mai Ryan*

We luv you all thanks nema cmnts 💋

Stay tuned
🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

*COLLABORATION STORY*

*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞±27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*
*CHAPTER1 ⃣8 ⃣*

*NYARAI*

Ndakasvika pamba pana Chipo akange aripo


zvake akatogara pamumvuri..akaramba
akanditarisa l don't know aitarisa chii pandiri
"Hesi kani Mai Zuze."

"Ndiri bho zvishoma ini Chipo urisei hako .

"Ndinofara zvangu ndanga ndatokushayaka


indava maonda asikana kufunga murume here
uku or kuzezeza hako musha wanga wajaira
kugara nagogo vakoka ..

Achingoda chete Chipo misodzi yakabva


yatojenga mumaziso angu .

"Hezvo ko zvawave kuda kutochema nhai


Nyarai asi ndataura mashoko anorwadza here
shamwari

"Let me tell you shamwari yangu.


"Taurai Mai Bee ndakaterera .

" amai va Peter vachinja zvakare kubva


pakangoenda tete nababa haaa ndaona moto
asikana ."

"Hezvo ko chii futi".

Hapana chandakasiya kumuudza Chipo


ndakamuudza mabatirwo andakange
ndakuiitwa namai va Peter
"Hiii inga zvakaoma nhai Nyarai but iye Peter
zvaakaita zvakashata akatadza nei kungogara
newe pamba pavo asina kana kuenda ku Harare
..vanhu vese varikuno kumusha havasi
kurarama here? ku Harare ndokudii? ndinomupa
mhosva murume wako muchiri vana vadiki imi
hamufanire kugara kwake kwake ah zvino
uchadii ndakatoudzwa hangu nyaya yako na
gogo vako saka ndaitoshaya kuti ndouya sei
kuzokuona kumba kwamwene vako
vacho..saka uchadii nhai?

"Nyaya iri kundirwadza inyaya yekuti murume


wangu hapana chaari kuziva dai aiziva magariro
andiri kuita angadai auya kuzonditora .. kuuuya
kwandaita kuno ndauya nenumber dzake kuti
nditaure naye nephone yako.
"Ooh shem phone yangu yakadonhera mumvura
ndichiwacha dia"

Ndakabva ndanyatsopera zvangu simba..

"Inga zvakaoma saka ndingawana upi


angandibatsirawo ne phone ..Pau ndiye akange
amboba yamai vake zvino panguva yandakati
ndichitaura naye Peter amai vacho vakabva
vauya ndokuitora maimwana vakopopota..

*Haa maone shaa dai zvainzi munhu unogara


waziva kuti musha waurikuenda wakamira sei
unogara warega zvako kuenda. .rega nditarise
phone yamukoma Kuda kuti irimo here vabuda
vaenda kunotamba bhora remabhuza ku ground
uku*.

Akadaro ndokuenda mugota ma Kuda


ndakafara pandakamuona achidzoka akabata
phone mumaoko ...

*Regai ndiise line rangu rine Mari mu phone ya


Kuda iyi ndikashandisa ya Kuda ndingaparohwa
hangu
Anodaro achitoenda kunotora line rake
ndokuuya ndikamupa number dza Peter ..moyo
wangu wakanzwa kufara number dzake
padzakatanga kurira

Chipo akandipa phone ..shungu dzakandibata


kwazvo pandakangonzwa voice rake Peter
ndakatanga kuchema ndakange ndizere
neshungu

"Ndiani uyu"

.
Akadaro Peter
Akange ashaya kuziva kuti ndini ani.

"Ndini Nyarai murume wangu huya unditore


kuno ndashungurudzwa zvisingaite namai vako
mwana wangu vanongomurova kana kudya
chaiko handidye vanondinyima chikafu.

Akavhuduka Peter nezvandakamuudza .

"Unorevesa here mukadzi wangu Inga ndakabva


ikoko makuwirirana waniko.
"Hapana paya vaitoda kuti vanhu vese vatange
vaenda vochinyatsosara vachindishungurudza
dai pasina Pau mwana wangu dai
ndakamufushira nenzara ndiye anotoba chikafu
womupa .

"Ndarwadziwa mudiwa wangu


ndaigaronetsekana kuti sei amai vangu
vasingadaire phone ndikafona vaiziva havoka
pavainge vakatsika..ndazvinzwa mudiwa
ndinouya mukupera kwemwedzi ikoko ndoona
kuti tingaite sei..

" Umm kuzoona mwedzi wo....

Handina kupedzisa kutaura phone yakabva


yatodzima kwakange kuri kutopera Moto uku.

"Haa yaita ma jealous wena at least wataura


naye

"Better now asikuzoona mwedzi wopera here


asikana

"Ungadii Nyarai hapana yekutamba


unongoshingirira hako mazuva ahanonoke
kufamba .

"Iribho Chipo regai ndiende pamwe Mai vaya


vatobva kumusangano so
"Ufambe bho

Akandibudisa mukova wavo Chipo ndokubva


adzokera ndakange ndoita zvekumhanya Kuti
ndikasire ndasvika ndainge ndaneta weduwee
ndichingopopoterwa everyday

Ndichimhanya kudaro ndakanzwa munhu


akaridza muridzo kumashure kwangu
ndakamira ndokuona ari Tapiwa ndakabva
ndaridza tsamwa.. ndikatanga kufamba.
"Ndabvira Kare ndichikushevedza Nyarai kana
kundidaira hauna indava.

"Iwe siyana neni chirega kungonditi Nyarai


because ndave mukadzi wemunhu.

Akatanga kuseka zvake.

"Asi pane mukadzi asiri wemunhu here but


iwewe Nyarai soo unondirwadza iwewe.zuva
riya ndaitoda kukupedzera wakaita luck paya
ndakange ndakakufungira parefu
wakandirwadza handidi kunyepa
ndikutorwadziwa izvezvi ndichikuona
"Ndakurwadza nei nhai wakanganwaka
zvawakaitwa nemurume wangu mavanga apora
manje take take neni sezvinonzi ndini ndega
mukadzi panyika pano.

"Haa iwe zvakatopfura zviya handiti Peter


akaenda here? Mira tipinde pakasango apa
ungondipawo ka1 chete ndinokupa Mari yekuti
utenge chikafu hona kuonda kwawaita uku
urikudya here iwe..wakaramba kuroorwa neni
dai watove zidhafu dhafu watove nemagaro
mahombe hona aunayo aya kunge door
kudai..ngatidanane shaa ndinenge
ndichigokupawo Mari hapana anenge
achizviziva..kana iye Bee uyu anenge
achitodawo ma siwiti
Tapiwa aitaura mashoko ake aya ndichiita
kunonzi kufambisa ..

"Undikwanirewo handisi hure ini gara nemari


yako.. Peter akauya ndinoda kumuudza.

"Kwaari ikoko urikuziva zvaari kuita here shaa


varume havaite mukadzi mumwechete ndipe
rudo mhani haunawo kutosuva murume here
mazuva ese aya asipo Peter.

Akadaro Tapiwa ndokubva andibata ruoko


rwangu achitoda kundiendesa pakasango.

Ndakamuruma zvine simba ruoko rwake ndikati


tsoka ndibereke apo Bee arikumusana .
"Iwe Nyarai Mira ipapo mhani..

Akange achadairwa nani wacho ndakange


ndatove kumberi mberi ndakange
ndamugadzirisa

Mukomana uyu aitondiisa pa class isiriyo chero


ndaisawana chikafu handaiita zvakapusa
izvozvo.i don't know varume vaida kundibata
chibharo ndakazvishayawo
Ndakatozosvika hangu kumba kazuva kakange
kasati kambonyura ndakasvika kuona pamba
pasina kana munhu asi door repa kitchen
rakange risina kukiwa ndakasvika ndikavhura
ndokuona poto yesadza yakange tatoneta
zvayo kukwacha pandakati ndibike zvangu amai
VA Peter vakabva vangopinda mumba umu

"Wafunga kuita sei manje apa waiwana kupi


phone yawafonera Peter"

Ndakatoshamisika kuti vakange vazviziva sei


kuti ndainge ndafonera mwana wavo
End of Chapter

🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

https://chat.whatsapp.com/K3DCzC0SqWL2Ne
a5cxEg0a

*COLLABORATION STORY*
*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞±27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*

*CHAPTER 1 ⃣9 ⃣*

*PETER*
Ndakapererwa pandakanzwa ari Nyarai
ayichema.Moyo wangu wakarwadza pamwe
nekunzwa hasha .Zvakandipa kufonera amai
vangu pandakapedza kutaura naNyarai.Lucky
haina kunetsa kupinda asi yakambononoka
kudairwa ndokuzodairwa hayo yave kutoda
kukata yega.

Mamha: " Hallo Peter , urisei mwanangu


kunonoka kudaira tiri kumusangano kana
wanga wafona uchida kutaura naNyarai handisi
paari.

Me:" Mhai nyararai henyu nezvaNyarai pane


pandakambofona makamupa here foni kuti
nditaure naye . Handi pese munongoti haapo
izvo munenge mune chinangwa chenyu."

Mamha: " Hezvo nhaiwe unondishura


chinangwa chei chaunondiudza." Asi kuroora
kwawakayita wakutozviona kunge wakura
zvakanyanya zvekutongesa ini mai
vakakubereka."

Me" : Amai musatombomhanyire henyu mberi,


matongeswa nani.Ende ndakagumbuka amai
sei mune hutsinye hwakadaro sei muri kunyima
mukadzi wangu chikafu handina kusiya
ndatenga chikafu here zvamunomunyima."
Her:" Iwe ndikwanire iwe tanga wanzwa nyaya
nhaika .Wakuteverera mukadzi wako kupfuura
ini mai vako nyakubereka.Ini ndini ndiri
kutoshungurudzwa nemukadzi wako pamba
pangu anonyepedzera kunge munhu kwaye asi
ndaona nhamo naye.Basa rese ndini ndinoyita
iye akagara . Anomuka nguva dzaada oyenda
kunoswera kwagogo vake achindinyeya
ikoko.Izvozvi ndiri kumusangano vanhu vese
varikungonditarisa vachitaura nekazeve zeve
kuti "ndivava vanobata muroora rough" .
Handisisina kana chiremerera muraini , zvino
newe mwana wangu chaiye
wakundidaro."Shuwa Peter mwana akandinetsa
panavana vangu vese ndichirara ndakasvinura
ndichifamba nehusiku kuyenda kumaporofita
kuti iwe urarame nhasi wakundiona kunga
ndakashata kupfuura mukadzi wako
wawakoziva wakura.
Vakabva vatanga kuchema pafoni.Ndakabva
ndapererwa kuti ndotruster ani chokwadi.Mai
vangu vakambogara nemukadzi waPaul pamba
asi handina kana musi one wandakaona
achibatwa zvakayipa.Kana iye Nyarai ndakabva
ave kubatwa sezvayingoitwa mukadzi
waPaul.Ndaive ndane confusion kuti
ndoteverera ani.

Me: No mamha ndangoti ndibvunzewo


zvandanzwa kuti ichokwadi here chete.

Her:" Ayiwa wanyeperwa mwana wangu ini


ndini ndatoona moto kuno.Dai zvayibvira wauya
kuzotora hako mukadzi wako nekuti ini
handisisina kana mufaro nekuda kwake"

Me:" Ok ndokuonai ndauya.

Ndakakata foni ,ndakazongoti ndozviona


ndayenda kumusha kwacho handi paive
pangosara one week chete...

Pakapera one week ndakagadzirira kuyenda


kumusha.Ndakatenga zvose zvaive
zvakanyorwa naNyarai palist
zvemwana.Zvimwe tayizotenga tasvika ikoko....
*Mai vaPeter*

Nyarai ayida kuzviita munhu akangwara zvino


manje ndakaramba kuna Peter .Papi pacho
pandayizosiya mwana wandakazvara
achinditongesa.Ndakayita kunzwa hasha
pandakakata foni handina kuzombodzokera
kumusangano.Ndakabva ndangoti werere
ndakananga kumba.Ndayida kunopedzerana
naNyarai.Ndakatomusvikira asipo ndakabvunza
Pau akati "haasi kuzivawo
kwaayenda".Ndakavesa moto ndakatanga
kubika sadza rangu.Ndayida kuridya asipo
ayidya kwaayive ikoko.

Pandakati rega ndinotora umwe hupfu ndimone


sadza ndichidzoka ndakawana Nyarai
atomirizika papoto yangu.

Me" : Ndibvire apo uri kutanangira poto yangu


ndiwe wayipambira indava usina hunhu
iwewe.Wafonera Peter uchimuudza kuti chii.

Akaratidza kakuvhunduka maybe


zvakatomushamisa kuti ndaive ndazviziva sei .

Her:" Ndangotaura zvamunondiyita pano".

Me:" Ini hangu zvemunhu ane makuhwa


handimude."
Ndakabva ndanyarara ndakamona sadza
rangu.Ndaive ndatenga mukaka ndisati
ndayenda kumusangano kune munhu ayifamba
achiwutengesa saka ndiwo watakadya nawo
iwoyo.Nyarai handina kuda kumunyima
zvandayida kuyita asipo , ndakatomupakurira.

Pandakapedza kudya ndakabva ndabuda


ndakayenda muyimba yairara Nyarai.Ndakatora
hembe dzake ndakadzikandira panze .

Me:"Iwe Nyarai huya utore madende ako


handichamade mumba mangu.
Ndakanotora makey emba yaimbogara atezvara
vangu vasati vashaya yaive yatopera zvayo
kudonha huswa pamusoro.Taive tangomirira
kuti ichidonha yega.

Me:":Nyarai kubva nhasi haucharare mumba


mangu.Ooh makey aya wochinorara umo ndimo
mave mumba mako imomo.Hauchengeteke
kurara wakayisa musoro pamubhedha wangu
wandakatenga ndizvo zvirikukupa kuti ufunge
zvekundipesanisa ini nemwana wangu.

Mai Maruza namai Susan vakabva vasvika


hembe dzaNyarai dzakazara paruvanze.
Mai Susan: Gogoi pano nhai mbuya vaTaku.

Mai Maruza: Tatoti rega tinoona kuti kwayitikei


handi hamuna kuzodzoka pamusangano
pamadaira foni paye saka tatoti pamwe
matambira rufu."

Me: "Kana zvangu ndatongobhohwekana


mufunge nezvandayitirwa naNyarai.Mufunge
mwana uyu ndayimubata semwana wangu
chaiye.Ndaive ndakamugamuchira mumusha
mangu zvino ave kuda kundipesanisa nemwana
wangu achiyitaa makuhwa kana ndimiwo."
Mai Maruza:" Makuhwa eyi aataura asi imi muri
kumubatawo zvakanaka here mwana uyu.Ari
kwagogo vake ayive akasimba iye zvino
asaraka."

Me:" Saka morevei munoti ini handisi kumubata


zvakanaka here.Kuwonda nenungo uko handi
kwagogo vake ayiswera akarara zvino pano
panoshandwa ende zvizhinji zvacho ndini
ndinoita iye akagara.Pamwe ishanje dziri
kumuwondesa kufunga murume kwete kuti ini
ndiri kumushupa.'

Mai Suzan:" Ko hembe dzedzani dziri pasi idzo."


Me: " Ndedzake iye Nyarai ndaona kuti munhu
haachengete ndayimubata zvakanaka iye ndipo
powotaura zvekupenga kumwana wangu
chandakatadza ndachishaya.Rega zvinzi imbwa
wakayirera nemumaka mangwana inofuma
yokuruma ndizvo izvi .Zvino kubva nhasi
achaona moto zvaayishuwira ndizvo zvave
kuzoitika manje.Ko chandichatya chii zita rangu
asvibisa kare."

Pau: " But mamha ndi...

Ndakabva ndamupa mbama kumeso chaiko


kuti asataure ndayitoziva zvaayida kutaura
pamberi pana sahwira vangu.Kayiita kunge
kakadyiswa naNyarai.
Me:" Kasika kupinda mumba izvozvi.Ndiyani
akati kana vakuru vachitaura iwe
wodairira.Ndizvo zvandakakudzidzisa izvozvo.

Akabva apinda mumba achimhanya..

Mai Maruza: Iii mai Peter musadaro saka mati


orarepi muroora chokwadi.

Me: Umo musingagare munhu ndimo mava


make imomo.

Mai Susan: Hezvo iyo iri kutoda kuzvidonhera


zvayo.Asi munoda kuti mwana wevanhu afire
imomo kani.

Me:" Itori nani iyo pane matanga aayigara


kumba kwambuya vake."

Mai Maruza:" Ummm musadaro vasikana inga


munonamata wani mapindwa neyi.

Me:" Ayiwaka kana mave kudaro tave kukonana


manje ,mauya kuzonditonga pamba pangu
here.Inga imi mai Maruza munavo varoora
makambonzwa ndichikuudzirai zvekuvayita
here.

Mai Maruza:" Hezvo yatokora muto."

Me: Eh kana musina zvekutaura chiyendai


kudzimba dzenyu.

Mai Susan: Moyo wangu wabva wayenda kure


chokwadi.Tinavo vana vasikana
chete.Ndakafunga kuti vanogona
kunosanganawo nezvakadai kwavacharorwa
ndotonzwa kupindwa nechando.
Me: Hameno ikoko iye munhu kana asvika
mumusha mevanhu ngaadzikame kwete kuyita
jetu.

Mai Maruza: Takuonai vasikana rega


tiyende.Mai Susan handei.

Me: Zvakanakayi.

Vakabva vatorana vakayenda .Ini


ndakabva ndatopinda mumba mangu ndakakiya
door kana kuzombodongorerawo panze
zvangu....
End of chapter 19
🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

https://chat.whatsapp.com/K3DCzC0SqWL2Ne
a5cxEg0a

*COLLABORATION STORY*
*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞±27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*

*CHAPTER 20*

*NYARAI*
Ummm kune vanhu vane hutsinye ndakabvuma
hangu.Pandakapihwa sadza ndakatoti zvimwe
vachinja ini.Tichipedza kudya sadza takasara
mukitchen tichitandara hedu natete
Pau.Ndakazobuda panze ndayita
zvekushedzwa namai vaPeter.Voice racho
ndakatoziva kuti hakuna chakanaka
chokwadi.Pandakabuda ndakaona hembe
dzangu dzakazara pachivanze.Pfungwa dzangu
dzakamhanyira kuti ndaive ndoda kudzingwa
futi.Pakarepo vana sahwira vavo vakabva
vasvika.Vakayedza kuvatsiuura asi kana
kunzwa apo vayitonyepa futi kuti ndini ndiri
kuvayita rough.Vapedza vakabva vazvivharira
mumba mavo vakakiya dzimba dzavo dzose.
Ndakatora hembe dzangu ndakanodziyisa
paside yemba yandayinge ndapihwa yacho
.Ndakakiyinura ndakaona haiwa makazara dust
apo zvihembe zvimwe zvakangozara zara
imomo.Ndakanotora mutsvairo wepanze sezvo
wemumba waive wavharirwa mukitchen ,
ndakatanga kutsvaira nekurongedza hembe
dziya.Apo ndayiita kukusora nedust.Lucky Bee
ayive akagara panze kwaive kusati kwanyatso
kusviba.Ndakapedza ndave kuhotsira zvese
nekukosora apo mumba macho mayitoyita
kunge panze zvamo.Chimwe chiside chese
chaive chisina huswa apo mitswe
zvayo.Ndakangoti hameno Mwari ndimi
muchengeti.

Pandakapedza ndakatora mwana wangu


ndakawaridza hembe dzangu zvese nekufuga
idzodzo handi ndaive ndanyimwa
magumbeze.Pane zvigumbeze zvandakaona
mumba imomo zvaive netsvina
ndayizozviwacha kwayedza.Takarara hedu
nemwana wangu pave pakati pehusiku
ndakatanga kunzwa zizi kuchema apo
ndayityawo sei .Zvakandipa kuvhura maziso
kwakuona zizi rakamira pamba yandaive
ndakarara.Rakatomira pambariro nekuti paive
pasina huswa.Ndakayita kudedera rayitoyita
kunge rakanditarisa.

Hana yangu yakatanga kurova apo Bee ayive


akatodzifodora hake mwana
wangu.Ndakazongorova madziro ndipo
pakayenda zizi riya.Hana yangu yakabva
yadzikama dzakadzokera
mukurara.Ndakazomuka ndanzwa kunge voice
remwana rayichema.Pandakamuka ndakanzwa
zveshuwa pane chinhu chayichema kunge
mwana mucheche chichitenderera nemba
yangu.Ndakangoti "nhai Mwari ko ndaparei nhai
". Ipapo ndaive ndonzwa kuti chinhu chiya
chaive chochema chakamira padoor.Bee
akabva atanga kutsvaga mukaka ndakamupa
hana yangu ichiita kubika manhanga.Apo
mumba macho maive musina kanacandle chero
matches zvawo.Chakazongomirawo kuchema
chega papera chinguva.Ini kana kurara handina
kuzorara.Flue yaive yandibata ndayinyatsonzwa
kuti ndiri kufema dust rega rega.

Kuchiyedza ndakanocheka huswa ndayida kuti


Peter paanouya opfirira zvino huswa hwacho
hwaive honetsa kuwana waive wakatsikwa
tsikwa nemombe.Pandakadzoka
ndakanowacha zvimagumbeze nekunyatso
kutsvaira mumba muya ,kukorobha nekudira
mvura mumadziro kuvhara dust.
Vhiki iroro rakatosvika pakupera vamwene
vangu vasingataure neni. Ndayiti
ndakavakwazisa vayiramba vakanyarara asi
chikafu vaive vave kundipa havo.Umwe musi iri
Saturday ndakatogara hangu pamvuri
naBee.Akabva atanga kuchema achida mvura
pandakati ndisimuke ndinotora mukitchen.
Ndakanzwa dzungu kunditi weee
ndakatozopona nekuvhara maziso ndokubva
ndagara pasi. Kaive kasiri kekutanga kuzviita
zvaive zvane nguva zvichiitika kubva
pandakangoonda.Pandakavhura maziso
ndakaona Peter akamira paside pangu
akanditarisa apo achiyeredza misodzi.Ini yangu
yakabva yatanga kubudawo pasina akataura
neumwe.Akandisimudza akandimbundira
takambochema takadaro.Ndipo paakazotaura.
Peter: Inga wapera nhai mukadzi wangu.Dai
ndisina kuuya ndayikuona wave rinda (guva).

Me: Pakaipa baba Bee.Hupenyu hauna kupfava


chokwadi.

Akatakura Bee akatanga kufamba.

Peter: "Tora zvinhu zvandauya nazvo izvi tipinde


mumba titaure.."

Ndakatora grocery raive rauya naPeter ndayida


kunoriyisa mukitchen. Peter akaramba akati
nderemwana saka rinofanira kugara mumba
mandinorara.Akazoshamisika ndakunoriyisa
muchimba chandayirara.

Peter: Ko uko wakunotsvageyi futi inga ndati isa


matinorara.

Me: Ndimo mandave kurara baba Bee.

Peter: What , kutanga rinhi.

Me: "Ndatove nesvondo kubva paye


pandakakufonerai ndipo pazvakayitika."
Peter: "Hezvo iyo imba iri kuda kutodonha zvayo
, amai vanodarirei."

Me: "Hameno ndivo vanoziva


chavakandimakira."

Peter: "Zvino vayendepi".

Me: Vayenda kumashops natete Pau.

Peter:. "Huya nezvinhu izvo uyiise mubedroom


ratayishandisa.'

Me:. "Zvino vasiya vakiya pamusiwo pavo."


Peter: "Ndinoziva panogara makey.Mamha
havatakure makey kana vachibuda ,kunyangwe
zvidini pane pavanomasiya."

Akabva apoterera kuseri kwemba akadzoka


akabata makey.Akakiyinura takapinda takanaga
kuroom kwedu .Maiyinge mungori smart
semasiyoro andayinge ndakayita.Ndakagadzika
zvinhu pasi.Peter akavhura akatora mayourgut
akapa Bee.Akatanga kudya hake isu takakwira
pamubhedha.

Ndayifunga kuti Peter achandibatawo asi kana


hake .Ndakangoti pamwe nekuti mwana
akasvinura.Takatanga kutaura nyaya hedu
tichiseka.Takazonzwa vanhu vayitaura panze
takabva tabuda tese vaive mai Peter .Pau ndiye
akamhanyira hanzvadzi yake.

Vamwene:" Wauya nguvaiko mwana wangu".

Peter:. "Dai ndiri mwana wenyu musingabate


mukadzi wangu rough".

Vamwene:"Chimbonyarara nyaya iyoyo


ndatambira nhamo.Ndatobva kufonerwa izvozvi
namainini mai Bridget hanzi bamunini vashaya".
Me: "Haaa ko vafa nei handina kumbonzwa
kurwara kwavo wani."

Mamha: "Kana nesu hanzi vakangoti musoro


madeko kwakumhanyiswa kuchipatara nhasi
ndiye sarai.Imi zvakaoma rume raive
rakazvisimbira haro.Musiuno vachitondifonera
vachiti maiguru ndichauya kuzotora beans next
week kureva svondo irori ratiri kupinda iri."

Peter: "Inga zvakaoma zvino baba vanga


vazviziva here ."
Mamha: Eh vatondifonera vachiti vatove mubus
.Vabva vangobatana natete naPaul nemukadzi
wake vese vachasvika pamwe.Hameno Palisa
kuti ave kuzviziva here.Rega nditomufonera
mwana wangu angasangane nemashura ikoko."

Me: "Shuwa zvakaoma hazvo pasi pano


idandaro".

Vamwene: "Ini ndakanyumwa musi uno mazizi


ayichema nekatsi iye inoshura ,inochema
kunge mwana mucheche.Musi uno yakachema
iri pano ndakatomuka ndakanamata nezvazvo.

Nechemumoyo ndakangoti dai musina


kunamata henyu pamwe munhu akatopora asi
nekuti imi makanamata musingazive chinonzi
kunamata kwacho chii mumhu abva
afa.Vakabva vafonera tete mai Tinashe (Palisa)
vakataura naye.

Vamwene :. "Aah hanzi azvinzwa ave kutomirira


murume wake abve kubasa manheru vauye
vese".

Peter: "Better kana azvinzwa rega tigadzirisa


tiyende kunhamo kwacho".

Vamwene: Gadzirira asi tichasimuka pamwe


neveHarare kana vasvika.Ini rega ndiwache
chari rangu rakasviba ndigoona chekumonera
manheru."

Peter: Hapana chakayipa.Mai Bee chiyendayi


munobika sadza kuyitira vari kubva kuHarare
vasviko wana chekudya .Mune kabeef kandauya
nako muplatsic riya enda unotarisa.'

Mamha: Aripiko maplastic acho ndinotora inini.

Peter: "Ari mubedroom medu .Mune zvinhu


zvemwana ndosaka ndamuti ayise imomo."

Vamwene: Ok ngaayende anotora ndibike


inini.Kana iri beef ingatoperere pamoto Nyarai
achichachura.
Peter:" Amai ka,tichataura hedu".Inga manga
muchitaura zvekuwacha chari wani.

Vamwene: Hayiwawo ko kunyepa here.Ndizvo


zvaanoyita ka.Munhu akakura asingazive
nyama akazoyiwana anoyidyira kuti
ndayionereyi.Kana zviri zvechari Pau enda
unotora uwache..

Ndakasimuka ndakayenda kunotora nyama iya


.Ndave kunanga kukitchen ndakabva
ndabvutirwa nyama iya navamwene.
Vamwene:" Inga ndati ndipe ndibike wani."

Ndakabva ndadzokera hangu kunogara


paverondor paive naPeter.

Peter: "Siyana nazvo babie ndichataura navo."

Ndakaramba ndakanyarara Peter akazviona kuti


ndaive ndabatikana.Akabva akumbira Pau kuti
asare naBee.Takabva tayenda kubedroom
kwedu.Akatanga kundikisa kusvika ndave pasi
iye pamusoro tichinakirana hedu.But hey
ndakanyatsona kuti ndaive ndaonda kwete
zvekutamba.Pandayiita chikapa , Peter
achikoyirira payinyatso nzwika mabonzo kurira
muchiuno umu.Kunyanya patakapedza Peter
ave kuburuka akabva andigumha negokora
muchiuno akasviko rovera pabonzo raive rayita
chibundu rakanyatsorira kuti goo.Ndakanzwa
ave kuti "awu ndakuvara"ndakabva ndanyara
ndakatarisa kuside.Ndakanzwa ave kuti.

Peter: " Ummm wawonda babie


wangu.Pandasvika paye ndatombotya kukubata
nekuwonda kwawakayita uku ndikati
ndingauraye mwana wevanhu.Zvino
ndazokuona wasuwa ndakati rega ndifadze
babie kumupa chinhu chake zvino angove
mabonzo ega ega.

Ndakatanga kuchema ndakatarisa kuside


kudaro.Ndakazoona auya kuzondinyararidza.
Me:" Dai ndine kwekuyenda ndayiyenda hangu
zvino handina.Zvepano handichada ini.

Peter: "Shhi nyarara


ndichazvigadzirisa.Chimuka tiyende kunogeza."

Ndakamuka ndakapfeka hembe.Ndakatora


mvura panze ndakayiisa mubathing takageza,
tichipedza veHarare vachisvikawo.Ndipo
pandakatoonawo mukadzi wabamunini Paul
ndayisamuziva.Takanochinja takapfeka
dzekunhamo ndipo patakazodzoka
tichimhoresa vanhu vaive vakutogeza maoko
kuti vachidya sadza.Ndakangoti
ndichangopinda maive nevanhu.
Tete vaPeter:" Yuwi yuwii mukadzi waPeter
kuwonda here uko.Munhu atakasiya
akazvisimbira ."

Vamwene: "Kuwonda nekuyamwiwa handi


haadi kurumura mwana wake akura
kudai.Kudomuudza kuti rumura haadi."

Tete vaPeter:Patakamusiya ayingoyamwisa


wani asi ayive asina kuwonda kudai.Iye zvino
kuyisa mvura mutukomba turi muhuro itwo
anotoyitakura kusvika kumashops isina
kumborasika."

Vanhu vese vakaseka kusara kwaPeter neni


chete.Takabva tatambidzwa sadza.Yangu plate
yaive yakazara mazimuto netunhindi tudiki diki
tuviri twenyama.MaPeter maive nemazinhindi
akakura.Peter akabva andibvutira plate yangu
akandipa yake.

Vamwene: Ko wazviitirei nhai Peter.MaNyarai


ndayitira kuti ane mwana saka anoda soup
ndosaka ndayizadza."

Pau: "Inga Bee ndiri kudya naye wani ende


atoguta".

Peter: "Hazvina mhosva ndinodya inini irori rine


mazisoup kunge mukuvisi dam."

Tete vaPeter: Chokwadi kuyita mukuvisi Dam


chairo.Ummm Masigede ari pano ane basa.
Ndakaritsika sadza nemazinyama ende yainaka
hayo.Tapedza takabatsirana namainini kusuka
ndiro.Patakapedza vanhu vese takabva tapfeka
zvinodziya.Ini ndini ndakapedzesera kubuda
mumba.Pandakabuda ndakanzwa vamwene
vangu vave kuti.

Vamwene: Ko iwe uri kuyendawo.

Me: Eh

Peter: "Ko anosarirei handi muroora , nditezvara


vafa kaava.
Vamwene:" Ayiwa ayisafanira kuyenda pamba
panosara nani."

Tete: "Pega saka iyeyu ndiye wamuri kuda


kuyita gaurd wenyu."

Vamwene: "Chihandeyi horaity."

Takatanga kufamba vanhu vese.Payitove


nekamufambo zvokuti takatosvika kwatosviba
patozara vanhu.

Takanobata maoko mukitchen maive nevanhu


nechitunha.Patakapedza ini namainini takabva
tayenda kuchoto kwaive kwakagara varoora
nana sahwira vepo.Varoora taive takatowanda
vekwaZuze wena.Vayingonditarisawo sezvo
vayisandiziva handi handina kupembererwa.
Tati garei garei tete nemurume wavo vakabva
vasvikawo asi handina kuzoona kuti vakafamba
sei.Takatandara kusvika kuma2 ndipo
patakazorara.Ave mangwana acho takamukira
kunochera mvura nevamwe varoora. Vamwe
vakasara vachidziisa mvura dzevanhu
dzekugeza.Pandakadzoka kumvura ndakasviko
tambirwa nemashoko navamwene vangu
kuchoto ikoko.

Vamwene: Nyarai usashande hako panhamo


pano iwe hausi muroora wemumusha muno
plus vafa ava hauna kuvapa mvura saka hauna
kodzero yekuvashandira havakuzive.
"Ndiyaniko iyeyu ndamushaya varoora vese
vekwaZuze ndinovaziva zvino uyu
ndamushaya".Akadaro sahwira mukuru wepo.

Vamwene: Munhu angouyawo kuzobata


maoko.Mungade kubva maziva munhu wese
auya panhamo here nhayi vasahwira.

"Ayiwa ndafunga kuti ndiye mukadzi waPeter ka


handi handimuzive ndakanzwa kuti akarorora
aripi mukadzi wake".Vakadaro Sahwira
Vamwene: "Haasati arooora angoriwo
makuhwa evanhu."

Tete Palisa vakabva vasvika pataive takamira.

Palisa: Asi mai munodarirei shuwa .Nyaya


yenyu ndayinzwa yese namukoma Peter
iyezvino mave kuyita drama panhamo
pano.Akakutadzireiko mukadzi waPeter.

Akabva vayita kudhonzwa navamwene


vakanomira kwavo vega.

Mainini: Ndiye uyu mukadzi waPeter


musanyeperwe henyu mai Tau.Kungoti
havamude chete.

"Iii vanodarirei chokwadi .".. vakadaro vaSahwira


nevamwe vose vaive pachoto ipapo.Ini
ndayitonzwa kuda kuchema asi
ndakazvishingisa.

Mainini:" Shandai imi maiguru pano panhamo


panoshandzwa nemunhu wese zvisinei kuti uri
muroora kana kuti hausi."

Vanhu vese vakabva vati "chokwadi


musavatedzere".Ndakatanga kubatsirana
nevamwe basa.Nditori pakati pekucheka
cabbage ndakaona kamwana kechikomana
kakauya pandiri kakasvikoyita
chizevezeve."Hanzi nagogo siyai zvamuri kuyita
kana muchida kuti vasakunyadzisei pakazara
vanhu".Hanzi endayi munogara pasi nemwana
wenyu".Akadaro mwana uya akabva ayenda
hake.Ndakangosimuka ndakanogadzika
cabbage pamoto payive pane vamwe.

Mainini: "Ko inga hamuna kupedza kucheka


wani".

Ndakaramba ndakanyarara ndayitoziva kuti


ndakataura ndinobva ndachema saka
ndayivharira shungu mukati.Ndakanogara
pamadziro paive pakagarawo vanhu
vemuraini.Mainini vakatevera paye.
Mainini:" Ko chii maiguru ".

Ndakabva ndatanga kuchema ndichitaura.

Me: "Ndarambidzwa futi vatuma kamwana kuti


ndisayite basa".

Vanhu vese vayive vakagara pandaive vakabva


vati ,"iii ko vanodarirei ,ndiyani akurambidzai
kushanda parufu".

Mainini: "Ndavamwene ndizvo zvavari".


Vanhu: Ayiwa hazvidi kudaro.

Ini kuzondidaro ndakawedzera kuchema


ndakabata mwana wangu
pamakumbo.Ndakazoona Peter auya
akasvikonditora takabva tatodzokera kumba......

End of chapter 20

🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*
*COLLABORATION STORY*

*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞+27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*

*CHAPTER 2 ⃣1 ⃣*
*PETER*

Moyo wangu wakarwadza zvakanyanya


ndichiona mukadzi wangu akaonda zvisingaite
,iii amai vangu handaiziva kuti vakange vaine
hutsinye hwakadaro ,pamusoro pazvo vakabva
vamubvisa muimba yandakamusiya achirara
zvakaoma ndakashaya kuziva chavainge
vakanyanyo mumakira .

Zvavakange vakuita amai vangu Kuna Nyarai it's


much ummm ndakanyanyorwadziwa worse
patainge tiri kurufu vamwe ndakavaona
vachimhanya mhanya kumapoto sezvo vakange
vari varoora.. wangu mukadzi ndakamuona
akatogara zvake pamadziro emba ..

Panguva yandakati ndiende kunomubvunza kuti


chii chaitika kusashanda nevamwe Palisa ndipo
paakabva asvika pandainge ndigere akatanga
kundiudza zvose zvakange zvaitwa Nyarai na
amai vangu, vakange vatomurambidza Nyarai
kuti asaite anything parufu apa sezvo vaiti
akange azingazivikanwe nemufi ..Zvakandibata
hamadzangu ndakanzwa moyo wangu kunge
wagarwa nechinhu why my mother why
kunyadzisa mukadzi wangu pakazara vanhu,
chero akange asati ave kuzivikanwa
nevakawanda havaifanira kumudaro ..Moyo
wangu wakarwadza ndakangoudza Palisa kuti
takufanoenda munotiwana mberi.
Handina Kubva ndamira ndakasvikotora wangu
mukadzi hapana kana wandakaoneka
nekubatikana kwandainge ndaita .

"Ba Bee tell me kuti ndinosvikepi ndichiitwa


zvakadai namai venyu ava..nhasi ndipo
pavandiratidza kuti havana basa neni
zvechokwadi

"Don't worry Mai Bee ndichazvigadzirisa


mukadzi wangu
"Kuzvigadzirisa bamwana kutongonditakura ku
Harare toenda tose.

"Ok ndichaona kuti ndingadii.

Tainge tichikurukura tichienda zvedu


kumba..Nyarai ainge achiratidza
kushungurudzika mukati memoyo wake .

Aitoda zvekuenda neni asi zvakange zvisingaite


ndakatozonyanyo fungisisa kuti kana Hama
dzangu dzichinge dzauya tombogara dare se
family panyaya yekushungurudzwa kwainge
kuchiitwa mukadzi wangu ..takatosvika zvedu
kumba Nguva dzichiripo ,zuva iri
akanyatsotambanuka Nyarai sezvo amai vangu
vakange vasara kurufu ..akatombokanganwa tu
stress takatombofarawo.

Zuva remangwana acho ndipo pavakabva vauya


vese baba vakange vatoripowo vakange
vatosvikira kurufu ikoko..ndakavaunganidza
vose mumba ndakava kwazisa vose hapana
akange asimo mumba umu ,wangu mukadzi
akange atori zvake kuseri kwe door akagara
nemukadzi wemunin'ina wangu

Mhamha : lnyaya yei yauri kuda kutaura Peter


isu tichine misodzi pamatama kudai?"

Vakadaro amai vangu vakatarisa Nyarai .

Baba: Misodzi yekuita sei nhai yamuri kutaura.


lwe Peter taura nyaya yako tinzwe .

Mhamha: Kana iri ya Nyarai ini handidi kuinzwa


zvangu.

Tete: Ko regai Peter ataure nyaya yake tese


tiripo.

Ndakavatarisa amai vangu neziso Ndokubva


vadzikama .

"Pamusoro mese muri muno ini handina kana


mufaro nezviri kuita amai vangu ava ndine godo
mukati memoyo wangu ndanyatsopererwa
chaiko kuti ndoita sei murume mukuru kana
nemi baba l think mukutozvionawo kuti
mukadzi wangu aonda ..kuonda
nekushungurudzwa namai vangu .
Baba: Ah unorevei nhai Peter Inga takatosiyawo
wani vaviri ava vakuwirirana

Amai vachingonzwa kutaura kwaakaita baba


vakabva vati .

"Ndakatozochinja ndaona kuti..."

Havana kupedzisa nekuti tete vakabva


vadambura mashoko avo..

tete :Hamusati manzi mutaure kani nyararai


tinzwe nyaya kwairi kuenda .
Paul: Chokwadi amai dai mambonyararawo
please

Ndakabva ndaenderera mberi nenyaya yangu


amai pavakange vamboti nyararei zvishoma
..ndakazivisa vanhu vose vaive mumba
mubatirwo waitwa mudzimai wangu saka
ndaitodawo kuti vandibatsorewo kuti ndodii

Vanhu vose vakato shungurudzikawo


nazvo...akabvunzwa Nyarai kuti zvechokwadi
amwene vake vaisamubata bho here ahana
kana kumbosvisva.
"Ndinonyimwa chikafu dai pasina tete Pau
kutaura kuno dai ndakafa nenzara vanotondipa
kana vatodawo chese chandinenge ndati
regaiwo ndiite vanobva vandirabidza or
kudzokorora kuchiita, ndashaya kuti ndosvikepi
vachiita zvakadai pandiri .

Akabva atanga kuchema Nyarai zvekuti


ndakabatikana zvikuru ..

Manyepo ayo handina kubvira Kare


ndichimushungurudza munhu uyu
ndakatotanga kubva pakafona Peter ,ndine
bundu mukati memoyo wangu nemanyepo
akataura Nyarai uyu Kuna Peter kuti
ndaimushungurudza ..ndakatozotanga
kutomubata rough nemanyepo akaita chaida
ndechekuti ndisawirirane nemwana wangu
zvino ini handinzwaro ..ndakange ndatochinja
hunhu hwangu ndakatozoona kuti hapana
zvandaita nekuda kwemanyepo ake handigare
na Nyarai pano ini.

Vakataura zvakawanda mhamha Nyarai


akazvirambisisa zvavakareva kuti vakange
vanyeperwa kuti akange achibatwa rough navo
.. Vakaedza kuudzwa nevanhu kuti vabate
Nyarai bho vakarambisisa mufunge..

Ha pana
kana wavakanzwa kutaura kwavo ndaiti
vachanyarawo baba nemukadzi wa Paul havana
kana .
Ndakava nekushungurudzika kuti ndodii
chekuita painge pasina nekuti zvaisaita kuti
nditakure Nyarai aifanira kungogara namai
vangu ava kusvika ndatsvaga pekugara
ndaitozouya ndomutora apa aifanira
kutongoshinga chekuita painge pasina

*NYARAI*

Ndakange ndatoshaya zvekuita parufu apa


nekunyadziswa namai va Peter..ndakange
ndave kutogaya kuti chii chandakange
ndaendera zvangu ..ndakaonekwa sendisiri
munhu avamwenrevangu . akagona Peter
akanditakura ndokuenda zvedu ku mba
,ndakamuudza murume wangu kuti zvekugara
namai vake ndakange ndisisazvide.Kana Iye
akanyatsozvionawo wega kuti ndainge
ndichinyatsobatwa semuranda chaiye namai
vake ,saka aitofanira kunditakura ndizorore
kubatwa rough kwandaitwa uku

Pavakadzoka vanhu kubva kurufu vakagariswa


zvavo dare asi amai vake Peter hapana kana
chavakanzwisisa .Chakanyanyondirwadza
inyaya yavakataura kuti ndainge ndataura
zvemanyepo Kuna Peter kuti vaindishungurudza
,zvakaoma vaitove nemiyedzo mukuru kwazvo
kwandiri ,zvinhu zvavaitoita kwandiri ndizvo
zvavakange vavekuramba futi ..
Ndakafungidzira kuti zvavakanga varamba
kunzwisisa ndichaonawo wangu murumeka
achivaudza kuti it's ok ndokutaura wangu
mukadzi ...Ahana kana kudaro Peter
akanyatsoti kuna Mai vake "muchagara chete
naye pano Nyarai kusvika zvakanaka".Moyo
wangu wakarwadza aidarirei kundidaro Peter
saka aitofarira sure kundiona ndishungurudzwa
zvakadai sure ..akange akatondiroorera
izvozvoka ndakaibudisa misodzi shungu
padzainge dzandibata.. ndakasimuka vanhu vari
busy kutaura ndichienda kuimba yandairara..

Zvaitove nani kuti ndirongedze twekwangu


zvangu ndaingoenda nenyika or kutsvaga
zvangu kwekunogara or musango chaimo
maitove nani mandaiziva kuti hapana
aizondishungurudza like zvandaitwa namai va
Peter ava.
"Ko urikuda kuendepiko Nyarai"

Akataura izvi aive Peter akange andisvikira


ndichirongedza nhumbi dzangu

"Kana uri musha wacho ngaugare Peter ini


ndave kuenda nesango l think wakandiroorera
nditabidzwe namai vako.

"No mudiwa don't go rega ndingoenda


kunoshanda zvemwedzi watapinda uno futi
. uchingopera ndinouya ndokutora l promise
Nyarai ndinenge ndatsvagawo kwekunogara .

"No Peter dai wakatotsvaga Kare zuva


randakakufonera riya dai urimunhu andaida
nekurwadziwa mabatirwo andinoitwa namai
vako.

"Usadaro Nyarai ndaitsvaga sei iyo Mari yacho


ndaida kuuya nayo kuno kuzokupa..ye next
month hapana chimwe chandichaita nayo
ndinenge ndakutotsvaga zvangu imba, iri nyaya
yebasa ndinosiya randiri kuita iri ndotsvaga
zvangu even rema comb

"Zviri nani usiye izvezvi tigare kuno kumusha


"Hazviite Nyarai

"Saka haundideka

"Ndinokuda rega ndiite zvandataura

Achingodaro Peter mainini mukadzi wa Paul


anobva apinda mumba mataive tiri.
.Vanoshamisika vachiona nhumbi dzangu
ndatoisa mubag ..vanobuda neni panze votora
migomo tichibva taenda kumvura tisati yasvika
kutsime takabva tagara pasi pemuti pari
pamvuri .

"Pane mashoko andinoda kuudzai maiguru


ndinokumbirawo mumabatise"

"Ok mainini taurai zvenyu.

Ndakadaro ndichipukuta misodzi yaive


pamatama angu.....
End of chapter 21
🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

*COLLABORATION STORY*

*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞+27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*
*CHAPTER 2 ⃣2 ⃣*

*NYARAI*

"Munofanira kuziva kuti murume wenyu


anokudai maiguru..dai asingakudei
asinakubvira akubvisirai pfuma,Regai zvekare
kupindwa nepfungwa yekudzokera kumba
kwenyu nekuda kwekuti vamwene havakudei
..chero vakakutii endai imi shevedzerai kuti
handiende vakada kukupopoterai vapindurei
kuti handina kuvinga imi pano ndakavinga
murume wangu so siyanai
neni..makangodzamara mavaratidza kuvatya
nekungobudisa misodzi pese pese maimwana
munoonda vanokuitai yese yese yavanzwa kuda
kuita kwamuri..Chikafu chacho ichocho
chavanokurambidzai kuti musadye chidyei
vakatarisa or kutotora poto motobika pamoto
pacho ipapo .Shandisai hugandanga pavari
because havana kuita mushe ..ana amwene
vanogara nevarora ndozvavanoita vanoda
kushungurudza vana vevamwe vanhu Ivo vatori
muroora wani hapana mukadzi asiri muroora..
maiguru ana amwene vedu Ava hameno sei
vasingazvizive so haikonai kuvaratidza kunge
munovatya stereki ..Siyai murume wenyu aende
kubasa next month vanodzoka vokutorai
Bamukur ndakataura navo kurufu uku
pavakandibatisa magariro amunoita navo
mhamha..Ndozvavakanga vachindiita ma fisrt
days ndakavaratidza kuti handina kudiwa
naivo.."

Akataura zvakawanda mukadzi wa Paul


ndakaterera ..

"Zvinoita here maiguru zvamuri kutaura izvi"

"Zvinotadza nei varatidzei kuti muri munhuwo


hamusi mhuka...havasi kuda kupihwa respect
sa amwene ava..itoitai chiri chifinhu chaicho
makaita zvekutamba inofa kwenyu maimwana
imba yenyu inoparara sekutamba sekuseka
..haisi nyore kuramba uri single
mother,chavakakumakirai chii garai navo
pamba ipapa hapana kwamunoenda..vakati
rongedzai muende vaudzei kuti imi ndimi
munoenda kwete inini mutori muroorwawo
kunge ini.

Mashoko avakataura mainini ndakatoona


zvechokwadi ari bho..Amai va Peter vaiita yese
yavanzwa kuda ndiri zii zvangu zvino ndakange
ndatori pihwa Simba racho namainini ava
ndaifanira kutomiramira kut marriage yangu
isaparare.

"Maita basa mainini ndichaita sekudaro ndanga


ndatopindwa nepfungwa yekudzokera kumba
kwedu hangu. .Iye Peter dai angoitawo zvekuti
ndizogara naye ku Harare kwacho.
"Don't worry zvichaita bho soon"

Takabva tambundirana zvedu ..nguva iyoyo


Peter akabva atouya .

"Bamukur munofanira kutotsvaga kwekugara


namaiguru next Month ndataura navo hangu
vakanzwisisa".

"Thank you mainini that's why muripo


munofanira kuvadzorawo maiguru venyu Ava"
Takatora zvedu chinguva tichitaura ndokubva
tazoenda zvedu kumvura ..Handina hangu
kuudza Peter kuti mainini vakange vandiudza
zvandaizosara ndichiita Kuna Mai vake
..Ndaivakudza mufunge ndichiti ndavamwene
vangu ndisingazive kuti vaisatoda
kutoremekedzwa zvachose .

Vanhu vose vakatozodzokera kudzimba dzavo


zuva remangwana acho kusanganisira newangu
murume ..vakasiya havo vaudza amwene vangu
kuti vasare neni zvakanaka asi havana
kunzwisisa ..

Nemurume wangu takange tavimbisana


kutozogara tese pamwedzi waitevera,so
paakaenda Peter kuharare handina
kunyanyobatikana hangu nekuti ndaiziva kuti
aizodzoka kuzonditora ..Plus mainini ndivo
vakange vatondisimbisa kuti ndirambe ndiripo
pamba apa

"Saka iwewe Nyarai waregerera murume wako


achienda uchisara sei".

Vakange vatanga zvekare amwene vangu


pavakaona kuti vanhu vakange vaenda .

"iii mhamha inini dai masiyanawo neni please


ndave kudawo kusimba honai kuonda kwese
kwandaita uku ndaonda because you."
Ndakadaro ndichibhidhaira ndichienda kunotora
poto yekuti ndibikire mwana wangu poridge
dady Peter vakange vakatouya zvavo nedovi.

"Hehedeee rega ndiseke zvangu ini ..wauri


kupindura mashoko ako akadaro ndiani wacho
iwe Nyarai.

"Tiri vangani papanapa nhai mhamha Bee


akarara tete Pau varikuchikoro so ndiri kutaura
imimi ..Hamudi respect ndakakuonai zvangu so
regai ndikuratidzei ma true colours
angu..musaite kunge ndiri pachipari nemika ini,
munotondiona kunge ndiri mukadzi mudiki
wemurume wenyu
Ndakange ndakunyatsoita zvandainge
ndanyatsoudzwa chaizvo na mainini
zvechokwadi vaisada kunyararirwa amai ava
ndaida kunyatsovaratidzawo kuti ndine
mashoko anonhuwawo kunge avowo.

"Nyaraiii !!!! asi wagarwa nemweya wetsvina


kani zvakatanga rini kundipindura mashoko
akadai kwandiri unondiona sechimwana chako
ichi Bee kani? kurumidza kusiya poto yangu
ndiani akupa mvumo yekubata poto yangu
wakadii kuuya nezvimapoto zvekumba kwenyu.

'Ah ndaigouya nemapoto kubva kumba kwedu


kuti zvidii iyaya ndotomabikira hapana
anondirambidza.
Ndakadaro ndichipinda mukitchen ndokuisa
mvura mupoto ..panguva yandakati ndiise
pamoto vakabva vapinda amai VA Peter
vakasvika vakatora poto iya vaine hasha mvura
yaive mupoto vakabva vandirasira kuface
kwangu .

"Mwana wembwa kumusha kure kunosvikwa


chingwa chaora unozviona kunge uri ani pano
handitongwe newe ini.

Ndakanzwa hasha ndichibva ndatora cup


yemvura ndichibva ndavakupira kumeso .
"Makakajaidzwa amai VA Peter ndaikunyararirai
pese apa muchindiona kunge mwana wenyu
handisi mwana wenyu ini.

Yakange yave bata wabata mumba mhanda


yava mwene nemuroora ndakashandisa
anguwo masimba chero zvavo vakazondikurira
ndakavarovawo chibhakera paziso zvekuti
vakange vaita chibhororindo ziso rainge
razvimba.

"Ndochii chawandiita ichi hona wandikuvadza


ziso rangu iri kasira kuenda kumba kwenyu

Vakadaro vachimhanyira kumba kwangu


vakaenda kunoburitsa hembe dzangu
vachikanda panze ndakadzitora
ndikadzidzorera zvekuti vakashamisika
nezvandakavaitira ipapo ;;semunhu akange ave
nemarwadzo paziso ndakavaona vachienda ku
bedroom kwavo handina kuzombovaona
vachibuda panze .

Ndakange ndavagadzirisa kana ivowo handiti


vainge vandiminyura ruoko rwangu ..rwakange
risinganyanye kurwadza zvarwo ..ndakaenda
ndikaribika bota mwana wangu even chikafu
musi uyu ndikachibika ndikachidya zvekuti bhee
dai zvainzi ndaisimba ne one day ndingadai
ndakasimba musi uyu ..munhu rudzii
aingobatikana neni pasina chandainge
ndamutadzira .
" Nhai maiguru ko mhamha vaitasei ziso
ndavasvikira vachichema ku bedroom kwavo

Vakange vari tete Pau vainge vabva kuchikoro


ndaive busy kutobika zvangu chikafu
chemanheru ..

"Ah tete mhamha venyu ava zvakaoma tarwa


pano saka ndokubva ndavakuvadza ziso

.Ndaifunga kuti tete Pau vachabatikana


nezvandainge ndaita amai vavo vakatotanga
zvavo kuseka.
"Zvaiwana ngwarati nhasi mavagadzirisa size
Ivo vandinyepera kuti vakuvadzwa nechimuti
kuhuni

Kkkk takarova chikuweed zvedu natete zvekuti


vakachinzwa ..Takapedza kubika chikafu
chemanheru ndikatuma Pau kuti aende kuvapa
akadzoka achiti vakange vachiramba kk
zvakaoma takachidya kusvika dumbu
risisakwanise nekugutisa ..
End of chapter

🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

*COLLABORATION STORY*

*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞±27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*
*CHAPTER 2 ⃣3 ⃣*

Musi wacho hope ndakanyatso dzifodora


dzehumambo chaidzo.Mangwana acho , sadza
ravo randaive ndasiya patable ndichiti vazodya
vayinge vasina kudya futi.Ndakamuka ndakayita
basa rese.Ndapedza ndipo pavakazomuka.

Me:" Mangwanani mamha ndokudzisirai sadza


renyu here mudye."

Vamwene: "Wakuda kundipedzesera musadza


handi."

Me:" Gegegegeee handisi hangu muurayi.Dai


ndiri muurayi, ndakakuurayi kare nemabatiro
amayindiita pano."

Vamwene:"Wakutozviona kunge boss ka


nezvawakandiita nezuro."

Me:" Kwazvo hangu mbuya vaBee kutyei."

Ndakatovati mbuya vaBee kuwedzera salt


pachironda .Ndizvo zvavayisada kunzwa
kusheedzwa nezita remwana wangu.
Vamwene:" Manje ndinoda kuona
kwazvinosvika haundizuve mushe".

Me:" Neniwo hamundizive mushe.Itai tione."

Vakabva varidza tsamwa vakapinda mumba


mubedroom mavo.Ndakapinda mukitchen
ndakadziisa sadza riya.Ndakarigarira hangu
pamushana nemwana wangu nekacup ketea
paside.Ivo vakazobuda vakabata mapotatoes
ayive atogadzirwa kare.Ndangangofunga kuti
pamwe akauya navatezvara.Ndakayenderera
mberi nekudziya hangu mushana.Pandaive
ndonzwa hope nezuva ndipo pandakapinda
mumba ndokuona musisina chikafu
chemwana.Ndakabva ndatoziva kuti ndivo vaive
vatora vamwene.Ndakabuda ndakananga
kukitchen ayive atori pamoto.Handina kuda
kutaura navo ndakangopinda ndakakasimudza
kapoto kaive nemapotatoes ndakanomakutura
panze.Vamwene vachitevera vachimhanya
kumashure.

Vamwene: "Nhaiwe Nyarai unoyitei shuwa."

Me:" Nxaa zvitori nani adyiwe nehuku pane kuti


imi mudye chikafu chemwana wangu.Ndiyani
akupai mvumo yekutora chikafu chemwana
wangu."
Vamwene:"Unoshandepiko iwe ,ndiwe
wakachitenga here."

Me: Chakatengwa nemurume wangu


ndechemwana .Imi hamuna kodzero
yekuchibata.Dzosai maplastsic amatora izvozvi.

Vamwene: "Unopenga iwe hausi


kuzochiwana.Wakuda kutotambarara
serunyemba pamba pangu."

Me: Heya.
Ndakatora mwana wangu ndakanopinda
mumba mandayirara.Ivo vayifunga kuti yapera
vasingazive kuti ndaive
ndakatovarongera.Ndayitoziva kuti vachatora
chimwe chikafu vobika.Ende ndayisada
zvekupinda mumba mavo ivo
vasimo.Pandakanzwa kuvhurwa kwedoor
repabedroom pavo sezvo raive nekanoise
karinoita pakuvhurwa.Ndakabva ndabuda
ndakayenda ikoko.

Me: Gogoyi tipindewo muno ndauya kuzotora


zvinhu zvamatora mumba mangu.

Ndakatodaro ndichitomhanyisa mhanyisa


maziso kutsvaga kwaive nemaplastic
acho.Ende ndipo pavaive vakatomira ndofunga
vayida kutora zvimwe kuti
vanobika.Ndakavasundira uko ndakabata
maplatsic mumaoko.

Vamwene: "Hauna matyira seiko iwe kupinda


mumba mavatezvara sei usinganyare.

Me: Vave vatezvara nhasi nekuti ndapinda


muno .Inga mazuva ese muno actor kunge tiri
pabarika wani.Dai muchiziva kuti ndiri muroora
wenyu musingabehavior kunge mukadzing'ina
wangu ,mayiziva pekugumira.Makamboyinzwa
tsumo yekuti gudo guru peta muswe kuti vadiki
vakutye here.Imi matadza kuwupeta isu vadiki
tavekutamba nawo."
Vamwene:"Zvaunotopenga nhaiwe."

Me: Imi ndimi munhu musvinhu here.Imi neni


hatizi nhunzi dzinosangana paduzvi.Imi
munodya duzvi renyu ini ndichidya rangu saka
tambayi yenyu ini nditambe yangu.Hamudi
kunyarwa.

Ndakabva ndabuda ndichivasiya


vakangomira.Ndakanotura befu ndapinda
mumba mangu.Ndakatoona Bee achitamba
hake akagara.Ndakasviko garawo paside pake.

Me: Bee mwanangu ini handisi munhu ane


moyo wakayipa asi ndave kutochinjiswa hunhu
nekuda kwe situation iri pano.Usazoti mai vako
vakayipa mwanangu.

Iko kaive kakanyatso nditarisa ungati ayiziva


zvandayitaura.Takaswera hedu takavharirana
mumba naBee.Takazobuda kumazuva rodoka
ndave kunoyita zvekubika.Pandakati ndivhure
kitchen ndakaona pakitchen
pakakiyiwa.Ndakadzokera kubedroom
kwavamwene ndakanogogodza asi hapana
akadaira.Ndakadongorera nepaburi pekey
ndakaona kuti havapo.Ndakatoseka hangu kuti
vaive vakiya kukitchen kuti ini ndisabike manje
ndayida kuvaratidza.

Ndakabuda ndakanotsvaga
chisimbi.Ndakapfekera pakey ndichipusha door
rakabva ravhurika.Ndakasekerera kuona sadza
ratobikwa raive risina kupakurwa mukapoto
kadiki nematemba.Zvayitoratidza kuti zvaive
zvichangobva kubikwa.Ndakabva ndaripakura
pakarepo tete Pau vakabva
vasvikawo.Ndakatomborohwa nehana kuti
zvimwe ndimamha ndakazoona vari
tete.Ndakavapakurira ravo richibva rangopera
mupoto nekutoyisa mvura.Takaritsika sadza
nemwana wangu.Ndave kutotimba musuwa
wekupedzesera vakabva vasvika
amwene.Vakasviko bata gotsi mukadzi mukuru.

Vamwene: Maiwe nhaiwe Peter


zvawakanditorera mhuka uchiuya nayo pamba
pangu chokwadi.Wapinda nepayi nhaiwe Nyarai
ini ndasiya ndakiya uye ndatakura makey.
Vakadaro vachinotarisa padoor vakaona
ndagwejenura.

Mamha: Hezvo zvawauraya key nhaiwe uri


mbavha iwe.Sadza rangu ndiyani ati udye.

Me:" Munongobika rimwe nhayi amai .Ndanga


ndanzwa nenzara ini saka ndati rega
ndizvibatsire.Hupfu, muriwo salt zvese zvirimo
saka munongoona yekutamba isu taguta.

Mamha: Newewo Pau kufurirwa nechimukadzi


chaPeter.
Pau: Hayibo ndisiyei hangu ini ndatobva
kuchikoro ndakasvikowana maiguru vari muno
ini.Bvavangondipakurirawo ndatoti ndivo vabika
plus zvedoor handina kuzviona kutozviona
izvozvi."

Me: Dzikamai henyu mom's tave kutobuda


muno isu .Mosara muchibika renyu sezvamaita
iri ratadya.Ende magona kubika ranga richinaka.

Ndakadaro ndichinhonga tumasadza twaive


twarasika pasi.Ndichituyisa mudish rataive
tagezera maoko.Ndakabva ndangotakura
mwana wangu takabuda.
Vamwene: "Saka ini ndini ndave house girl wako
manje."

Me: "Hameno ikoko."

Ndakadaro ndichitopinda mudinning


ndichinanga kubedroom kwangu..Mazuva
akafamba navamwene vangu ndichivagadzirira
size inokwana chaiyo .Ndakatotangawo
kusimba plus kurumura kwandaive ndayita
matama akatotanga kuti kwizi kwizi....
*Mai Peter*

Gona ane gona wake chokwadi.Nyarai


wandaive ndajaira kubata rough ayive
ondipandukira zvino.Ndaiyinge ndisingazive kuti
anotaura kudaro.Ini ndini ndaive ndatoyita
muranda pamba pangu.Zvakandipa kuti
ndimuvenge kusvika pekupedzesera.

Mumwe musi ndakamusvikira akagara


paverondor neshamwari yake Chipo , vakatanga
kundinyeya ndichinzwa.

Chipo: "Vamwene vako vauya hausi kuvaona


here ,vaswerese handi vanga
vasipo."Maswerasei mbuya vaTaku"

Ndakaramba ndakanyarara hangu.Ini Nyarai


ndaive ndakamuudza kuti tushamwari twake
handidi kutiona pamba pangu iye ave kuyita
zvemusoro wake.

Nyarai: Umm vapikowo vanoyita kunge


vakagarwa neshavi.Uri kuti iyezvino
ndichambovaona savamwene vangu here , kana
zvangu. Respect yandayivapa yakatopera.
Chipo: "Hezvo ko nei."

Nyarai: "Ndakaona kuti ndayishaya wekupa


respect ,kuyiisa pamunhu asiriye . Tatove
vakadzing'ina ini naivo titori pabarika .Vanoyita
kunge vanorara nemwana wavo ndosaka
vasingade kundiona".

Chipo: "Gegegegeee shuwa here".

Vakabva vaseka vakarovana maoko. Vapedza


Nyarai akabva ati .
Nyarai: "Ndiri kutokutaurira wangu.Hapana
nezvamai apo."

Chipo: "Iii rega ndiyende yave time yekunobika".

Nyarai: "Rega ndikuburitse tichitaura."

Zvakaperekedzana havana kure kwavakasvika,


vakabva vamira hameno zvavayitaura
vachirovana maoko vachiseka.Ndakatoziva kuti
ndini ndayitaurwa hapana umwe.Ndakazoona
Nyarai adzoka.
Me: "Iwe ndiwe uchaudza vamwe iwe kuti amai
vemurume kana vasingadi nemwana wavo
hakuyendwe."

Nyarai:" Gegegegeee mogondiyitei


semunoroya.*Handibve pano chero zvidini
vamwene vangu.Murume wangu nehama dzose
vachindidawo ,mhaka yangu inini
handiyizive.Muchazoguma mandidawo
nerimwe zuva imi.Dhindi ndiriiiii ,ndiriii
dhundundu* hadaaaa singing zvangu.

Ipapo ayitambira pamberi pangu sele pakuti


magaro ayive avapowo handi ndiye ayive
otonga.Ndakambopotsa ndamurova
paayitamba achiyimba kudaro asi ndakazotya
nekuti ayive akambondikuvadza ziso rangu
futi.Saka ndakangokuvarira mukati.Apedza
kutamba akabva apinda mumba.Ndakasara
ndakagara paverondor ndakati dhuu kufunga.

"No mhani ndinofanira kutsvaga weakness


yaNyarai kuti abve pamba pangu . Nekuti
zvaave kuyita kaizvi zvinotoreva kuti atodzika
midzi ini ndisingamude pamba pangu.Weaknes
yaNyarai ndiBee saka ndinofarira kuyita plan
naye..Chekutanga ndinofanira kuchinja hunhu
kunge ndave kuwirirana naye kuyitira
pakazoyitika chinenge chayitika haamhanye
kufungira ini.Ndayitaura ndega mumoyo mangu.
Mangwana acho ndakatomuka ndakayita zvese
ndokubika tea.Ndakashedza Nyarai takatonwa
ndakatozviona hangu kuti ane mubvunzo
ndakati rega ndimutange.

Me: "Usatye hako kudya muroora hapana


zvandinombokuyita asi ndangoona kuti
ndinosvikepi tichinetsana.Hapana
pazvichachinja kuti uri mukadzi waPeter nekuti
Peter wacho anotokuda.Ende ini ndini ndiri
kutoona ndichitadza kungoti tigarisane
zvakanaka kusvika Peter akutora.

Nyarai: Thanks mamha mazoona kuti


zvamayiita hazvisi right kana neni manga mave
kutondichinja. Ndanga ndatanga kutoita munhu
akayipa.
Me: Ndatozviona muroora ndosaka tati
tigarisane zvakanaka tarisa iyezvino tatove
chiseko chemuraini rino.Kana tatanga kutukana
vanhu vese vanomira mumafence avo
vachidongorera drama.Hazvina kana chimiro
zviya.

Nyarai:" Shuwa mamha zvatinoita , tinotoyita


topic yevanhu yekudyisa sadza kumba kwavo
vachitaura nezvedu.Ndafara kana mati
tigarisane ndinokuvimbisai kuyita muroora
akanaka kubva nhasi imiwo moyitawo
vamwene vakanaka."
Me: Ndinoyita muroora , mira uwone
vachatozonyara vese vayiseka."

Nyarai: "Dai zvakadaro"

Nechemumoyo ndakati dai wayiziva zvandiri


kukurongera wayisambodaira.Ndaive
ndatowedzera kumuvenga Nyarai.Kana
nekutsenga kwake chaiko kwaive
kwakundibhohwa.Ndoda pandayizoona
kamwana kake kachichemera chikafu ndayiita
kunge ndichakadzipa... Takazoswera
tichitandara zvakanaka ave mangwana acho
ndakamuka ave kutotsvaira yard.
Me: Wamuka here mai Bee.Siya kutsvaira
ndosara ndichiita muroora enda unodiridza
kugarden raomerwa.

Nyarai: "Ok regai ndiyende."

Me: "Dai ndisiri kuda kuzowurutsa chibage


ndapedza. Ndayiti Bee asare zvino anoyita flue
pandinenge ndichiwurutsa."

Nyarai: "Ayiwa musazvinetse henyu ndinoyenda


naye anonotamba . AKA kachikwama kangu
handisiye .Plus haachambode kuberekwa uyu
akura.
Nechemumoyo ndakati ndiri kuzvipedza nhasi
chaiye izvo haundizive mushe.

Me; "Ok muroora ".

Akabva atora mabucket akananayidzana


nemwana wake vachiyenda.Ndakasara
ndakayita zvese fast fast .Ndichipedza
ndakabva ndatevera kugarden ikoko kunopedza
maspots.......
End of chapter 23
🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

*COLLABORATION STORY*

*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞±27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*
*CHAPTER 2 ⃣4 ⃣*

*NYARAI*

Haa ko ndayizivei kuti kuyita gafa


kunonakidza.Ndini ndaive ndotonga pamba
pevamwene.Kana garo raive robuda kani.Kana
Chipo akazoshamisika achindiona ndasimba
.Ndakabva ndatomushedza kumba
kwavamwene . Kubva ndirorwe Chipo ayive
asati ambouya kwavamwene
kuzondishanyirawo.Ndayitotya kumushedza
zvino pandaive ndotonga ndakatomushedza
ndakatanga kunyeya vamwene vachinzwa ...

Ave mangwana acho ndakafara kuona


vamwene vangu vachinja zvandayishuwira
chaizvo. Ndakazvirova dundundu kuti ndaive
ndahwinha.Taive towirirana navamwene
vangu.Day rechitwo tichiwirirana vakanditi
ndinodiridza kugarden. Ndakatora mwana
wangu takayenda.Tichisvika Bee ndakamuti
agare pasi achitamba.Ayifarira kudya
madomasi saka ndakamutemhera madomasi
four ndokumugadzikira ,
akasekerera.Ndakatanga hangu
kudiridza.Zvaive zvonakidzawo ndichiziva kuti
ndiri kudzokera kumba kune mufaro.Ndave
pakati pekudiridza hameno chakati nditarise
payive pakagara Bee ndakamushaya.Hana
yangu yakarova ndakatanga kutenderera
negarden rese ndichimushedza asi handina
kumuwana.Ndakamhanya kunotarisa panze
pegarden ayive asipo . Ndipo pandakachitanga
kuyeredza misodzi manje."Maiwee zvangu nhai
mwana wangu aripiko veduwe".Pakarepo
pakabva pasvika mai Maruza.

Me: Nhai mai Maruza kwamuri kubva uko


mamboonawo Bee here.

Mai Maruza : "Ko zvaunenge uri kuchema Bee


ndiyani."
Me: "Mwana wangu kani, ndashaya mwana
wangu"

Mai Maruza :" Hoo anonzi Bee ini ndangojaira


kuti Nyarai ka. Ndayisatomboziva kuti anonzi
ani mwana wako.Ayiwa kwandabva handina
kumboona mwana , wanga wamusiya kupi.

Ndakavatsanangurira zvese.

Mai Maruza:"Wambotarisa tsoka here


,ngatitarisei.
Takatarisa pasi tose.Hatina kuona kana sign.

Mai Maruza: "Ayiwa kuno hakuna.Hande


tinotarisa kugarden kwacho."

Takadzokera paayive akagara.Ndakarohwa


nehana ndichiona katsoka kake kachiyenda
kutsime .Takateyedza tsoka kusvika
patsime.Ndakadongorera ndakaona mwana
wangu ayive atoti kunguma ari pamusoro
pemvura.Ndakangoti "amai mandifuratireiko"
ndiye dhii pasi .Handina kuzoziva
zvakayitika.Ndakazomuka ndakarara
mudinning .Maive nevakakidzani vedu namai
Maruza.Ndipo pandakarangarira zvaive
zvayitika.

Me: Mwana wangu aripi.

Vakaramba vakanditarisa vose.

Me: "Mupenyu handi."

Mai Maruza: "Anogoyita mupenyu sei iwe


watomuona kuti afa anga atove pamusoro
pemvura. Dai kuriko kwawatanga kutarisa
kutsime nekuti vana vose vanofarira mvura.
Pamwe ayibuda ari mupenyu zvino
wamunonokera.

Me: "Mwana wangu kani.Nhai Mwari mati


ndoviga mwana wangu here panzvimbo yekuti
andivige."

Ndayiita kuchema ndichita kurwadziwa kusvika


pamongo chaipo.Ndakasimuka ndichimhanya
kubuda panze" aripi mwana wangu aripiko
nhaimi vanhu."Ndakadaro ndamira pakati
pechivanze.

Mai Maruza: Kwagogo vako hanzi ndiko kwaari


kuchemerwa. Isu tanga takuwunza kuno tichiti
ari kuchemerwa kuno. Zvino vamwene vako
varamba.Wochitodzikama utore hembe
dzemwana pamwe nedzako dzinodziya tidzike
kwagogo vako.

Ndakapinda mumba mandayirara , ndakatanga


kufunga kuti ndanga nditori naye manje manje
ndichitaura naye achiseka.Bee ayive akutotaura
zvese zvishoma ndizvo zvaayive asingagone
kunyatsoburitsa mazwi.Ndakagara pasi
ndakatanga kuchema.Ndakazoona mai Suzan
vatevera hameno vayive vauyawo nguvai.

Mai Susan : Chitoshinga Nyarai dziripi hembe


dzemwana.
Ndayitoshaya kuti vanodzidziyi hembe
dzemwana mudiki hadzigovewe.

Mai Maruza : Musiyei handeyi anozodzoka


otora .Kuwona hembe dzemwana
kunomuwedzera kurwadziwa.Ndosaka ndanga
ndati dzigare dzabva pano sekutaura kwayita
vamwene vake.

Mai Susan: Yaah shuwa simuka hande Nyarai.

Ndakasimuka takatanga kufamba.Ndichisvika


kwagogo mukitchen maive matozara
vanhu.Ndichipinda vanhu vese vakabva vatanga
kuchema.Pandakangoona gogo mai Gamu
nagogo vangu vaive vakagara
pamwechete.Ndakayen pamakumbo
avo.Ndakati ndoyikwetsura mhere ."Gogo
mwana wangu kani ayenda ,Bee wangu kani
shuwa." "Ndakatambura kubva ichiri nhumbu ,
vanhu vachitaura zvavanoda neni asi handina
kumbobvira ndakafunga kubvisa
nhumbu.."..Nhasi akura Mwari vonditorera here
chokwadi ruva rangu randakaona moto
naro.Nhayi gogo ndakatadzeiko inini Bee wangu
ayenda kani gogo.Handisisina anondivarayidza ,
why me nhayi Mwari ndatadzeiko."

Gogo mai Gamu : Chinyarara Nyarai Mwari


vayita kuda kwavo.Shuwa muzukuru wanga
watoyarutsa".
Gogo:"Musamunyararidze rega acheme."

Ndakachema kusvika ndanyarara ndega ndipo


pandakazogara kumusoro kwemwana
wangu.Vanhu vese vayitouya vachibata
maoko.Zvayindinetsa kuzvigamuchira kuti
mwana wangu atofa zveshuwa.Ndayingoti
zvimwe ndiri kurota ndichamuka.Asi kwayisave
kurota.Peter, mainini, vatezvara,bamunini natete
Palisa vese vakauya.

Mwana wangu akazovigwa ave mangwana


acho makuseni.Sezvo ayive abuda mazino
akangovigwa zvinoyitwa munhu
mukuru.Akarara mucoffin ndayiti achamuka
akayita kunge akarara hake.Coffin rake
richidzikiswa ndayiita kuchema.Vanhu
vachiyimba tave kuwonekana tiyende . Peter
ayive akangondibata ndichichema naGogo mai
Gamu.

Nhamo yakazopera vanhu


vapaparara.Pakangosara vehukama chete.Peter
ayiita zvekuya achindiona achidzokera kwamai
vake.Rave day rechithree Bee avigwa vakauya
vese vekumba kwacho kusara kwababa chete.

Vamwene: "Muroora wombogara pano


uchinyaradzwa kusvika nyaradzo yaitwa."

Gogo mai Gamu": Mwana mudiki anoyitwa


nyaradzo here."
Gogo: Eh anoyitwa sekuti anga atove kamunhu
chisingayitwe kurova guva.Mbuya vaTaku
hapana chakayipa sekuti iyezvino vanhu
havasati vapera kubata maoko saka Nyarai
anombosara hake pano.

Vamwene: "Ndizvo chaizvo".

Tete Palisa": Ini maiguru ndave kudzokera ,


ndozokuonai panyaradzo ndinouya."

Me: Horaity makayita basa tete makauya


kuzochema neni.
Bamunini: "Kana neniwo gulez ndave kudzokera
pamwe namainini venyu ava."

Me: "Ok bamunini makayita basa chose."

Vakabva vabuda havo.Peter akazodzoka


manheru.

Peter: "Babie ndave kudzokera ndanga ndichiti


ndouya ndokutora kupera kwemwedzi kureva
next week. Zvino ndave kutombomira kusvika
Nyaradzo yaitwa."
Me: "Uazvinetse hako kana zvisingaite kuti
tigare tose.Ini namai tave kuwirirana plus
munhu ayiita kuti tisawirirane afa saka
hapasisina chekutiza handi mwana wangu
ndiye ayiyita kuti vandivenge."

Peter akatoramba akanditarisa


hake.Ndakatoshaya kuti sei ayinditarisa kudaro.

Me: Ko chii nhayi .

Peter: "Aah hapana hangu.Tozotaura


paNyaradzo."
Me : Ok.

Peter: "Wosara zvakanaka mudiwa


wangu.Ndinouya ndokutora ini ndave kuda
kugara newe."

Me: "Ok my love ndinokumirira".

Takambundirana hedu akabva ayenda ini


ndadzokera mumba.

Patopera one week ndichisuka hangu mandiro


Chipo akabva asvika.
Chipo: "Vasahwira murikuzvigona sei."

Me: Iii pakaoma wena pandaive ndakuti


dambudziko rekusadiwa navamwene rapera....
Ndabva ndabayiwa pamoyo chaipo.

Chipo: "Asi mayinge mowirirana here


navamwene."

Me: "Eh tanga tatone two days tave kuwirirana".


Chipo:" Ummm rega ndinyarare hangu."

Me: Chiiko taura Chipo , handidi munhu


anotaura achigumira panzira.

Chipo:" Vamwene vako zvavari kufamba


vachitaura iwe."

Me: "Varikutiyi."

Chipo: "Varikuudza vanhu kuti Nyarai ndiye


akakandira mwana wake mutsime nekuti ayida
kudiwa nemurume.Vayigara vakanetsana
naPeter nekuda kwemwana ndosaka
akasarudza kumuuraya."

Me: Haaa inga havana kukwana saka ivo vanhu


vachitobvuma izvozvo .Dai Peter asingade
mwana wangu asina kundiroora.

Chipo: "Hanzi ayida iwewe ayifunga kuti


uchasiya mwana nagogo vako.Saka
pawakayenda naBee hanzi maive monetsana
nekuda kwemwana ndosaka Peter asina
kuyenda newe kuHarare."

Me"Ummm inga zvakaoma ini ndayiti zvapera


izvo vayinyepedzera futi ayiwa rega Nyaradzo
iyitwe ndiyende hangu naPeter.

Chipo: Better akutore shuwa.

Ndakapedzesa kusuka ndiro ndakatanga


kuperekedza hangu Chipo.Ndakatonomusiya
pedyo nekumba kwavo .Ndave kudzoka
ndakabva ndasangana naTapiwa.Akabva
atanga kuchema paroad ipapo.

Tapiwa:" Nyarai uri mhondi yemunhu shuwa


ungauraye mwana....kuuraya mwana wangu
uneshuwa."
Me: Undikwanire mwana wako wupi
wandakauraya.Ini ndichiri nemisodzi pamatama
ndipo wotaura zvekupenga."

Akatowedzera kuchema murume mukuru


ndaive ndatopererwa zvino ndichiona drama
rayiitika pamberi pangu.

Tapiwa:" Bee anga ari mwana wangu Nyarai.

Ndakanzwa hana yangu kuti tsemu ,makumbo


angu akatanga kudedera zvekupera simba
chaizvo.Akayenderera kutaura .

Tapiwa:"Ndini munhu akakubata chibharo


uchibva kuchikoro.Ndiregererewo ndaive
ndangokuchiva ndayiziva kuti ndakakupfimba
wayindiramba nekuti ndaive nemukadzi."

Me: Ndiudze kuti uri kutamba hako

Tapiwa:". Handisi Nyarai sorry hako asi


pakuzokandira mwana wangu mumvura uchida
kudiwa naPeter ndipo pawakatadza sei uri
mhondi kudaro .Inga ndaive ndati huya tigare
ndichichengeta mwana wangu tose wani, sezvo
mukadzi wangu akayenda nekuda kwako."
Ndakanzwa hasha ndakamudira mbama
kumeso.Ndakatanga kumusvetukira
ndichimurova asi iye kana kudzosera hake.
Ayitorutsa kutaura ndichimurova kudaro.

Tapiwa :" Uri wangu Nyarai chero wakandirova


hako.Ndini ndakakutanga ini kukubvisa
humhandara ende ndayitokuda zvino
zvawauraya mwana wangu handichafunge kuti
tichawirirana futi."

Me:"Pthuuu duzvi remunhu ,


Ndakadaro ndichimusvipira kumeso chaiko apo
ndayitochema .Ndakamuti bhutsu
padumbu.Pakarepo mai Susan vakabva vasvika.

Mai Susan: "Hezvo Nyarai wapindwa


neyi.Isimba here rekurova varume wototenda
kuti Tapiwa murume anorespecta vakadzi dai
ari umwe akaudzosera.Chiiko newe mwana
haasati aputika iwe wave kutomira munzira
uchirovana nevanhu hunhu rudziyi ihwohwo".

Tapiwa: "Bvunzaiwo henyu amai Suzana.


Nechandatadza hapana."

Me:" Pfutsek iwe imbwa iwe nyarara.Ziduzvi


remunhu.Ndiye munhu akandibata chibharo uyu
nhasi ndipo paakuzozvitaura nekuti Bee
afa.Hanzi ndizvo zvakakonzeresa kuti mukadzi
wake ayende ayive azviziva kuti murune wake
irapist."

Tapiwa: " Hezvo nhaiwe asi wave kurasa


njere.Undikwanire wanzwa zvauri kutaura
handizvizive ,wazvionepi."

Mai Susan: Nyarai enda kumba vanhu vachiri


kubata maoko . Zvako zvekunetsana nevanhu
izvi uzvisiye.Hunhu hwako wakutoita ndibvume
zvakataura vamwene vako kuti ndiwe
wakauraya mwana".
Ndakanzwa moyo wangu kuti kwachu.Sei vanhu
vachiteverera zvinotaura vamwe kwete zvangu
,hazvinei hazvo rega ndiyende Mwari ndiye
anoziva.Ndadaro mumoyo ndakatanga
kufamba ndichiyenda kumba ndichichema
ndayida kunosvika ndoudza gogo ndonzwawo
kuti vanoti kudini.......

*MAI VAPETER*

Tsoro yangu ndakanyotsoyitamba


boe.Pandakasvika kugarden ndakaona Nyarai
ari busy kudiridza.Ndakanyahwayira
ndakanomira kuseri kwetumuti twayivemo
tumubaboon tree.Ayive nemabucket akawanda
saka ayiti akacheredza ose omboyita nguva
asingadzoke kutsime.
Ndakatora mukana iwoyo kuyenda paive
pakagara kamwana kake apo ziso raive
kunaNyarai .Hana yangu yayiita kurova kuti dai
ndakasangobatwa.

Me: Bee muzukuru hande ndinokupa mvura.

Akabvumirira nekuzunguza musoro.Ini


ndayitaura chizeve zeve.Ndakakananayidzana
naye, ini ziso rayingove kunaNyarai chete kuti
dai akasandiona.Nyarai wacho
ayisatombocheuka hake ayive busy
nezvaatiita.Ndakasvika patsime ndokusayidzira
kamwana kaye mumvura.Zvayizongonzi ayenda
ega vakaona tsoka.Ndakamhanya kudzokera
kuseri kwezvikwenzi zviya.Hana yangu ndiyo
yaive yorova manje.Ndakamirira kuti
idzikame.Payakadzikama ndakanyahwaira
ndakabuda mugarden .Ndakamhanya
nemumahuswa mukadzi mukuru kudzokera
kumba.Ndayisatomboda kunonekwa nevanhu
vemuraini kuti ndabva kugarden ende ndakayita
lucky hapana akandiona.

Papera chinguva ndakazonzwa mhere vaive mai


Maruza vachisvika pachivanze
pangu.Vakanditsanangurira zvokuti mwana
waNyarai ari mutsime iye Nyarai wacho
afenda.Ndakasekerera nechemumoyo kuti
zvandayida zvaive zvayita.Takashedza vanhu
vemuraini takanoungana kugarden kuye.Mwana
akanyukurwa akaputirwa. Ndakati ngaanange
kumba kwambuya vaNyarai kwete
kwangu.Nyarai ndiye ayive ayendeswa kumba
kwangu.Ndakazongoti kana amuka momuudza
kune nhamo.Ini ndakafano tungamira kunhamo
.Ndayida kuona Nyarai paayizouya .Akazouya
atove masikati chaiwo.Ndakamuona achichema
ndakati nechemumoyo tsvatu wayiti
wayindigona usingazive kuti uri kutamba
nekusingatambirwe..Haiwa ayive otozviyedza
gamba pamba pangu.

End of chapter 24
🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

*COLLABORATION STORY*

*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞+27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*
*CHAPTER2 ⃣5 ⃣*

*NYARAI*

Tapiwa akange awedzera marwadzo


andakange ndichinawo ekufirwa kwandainge
ndaitwa nemwana wangu Bee,ndaitoshaya
kuziva kuti ndiani akange akandibata chibharo
zvese nenhumbu makore ese aya
chokwadi.Tapiwa akange ari zii zvake achiziva
kuti ndiye baba vemwana wangu .That's why
airamba ari take take neni achindifudza nhai
atoziva zvaari..

Ndakange ndine mubvunzo usina akaupindura


ndichienda kumba wekuti dai Bee akange asina
kufa aizozvitaura here kuti aive mwana wake
?,akandirwadzisa Tapiwa chero Bee wacho
akange asisipo ,pfungwa dzangu dzakange
dzatomufingira parefu chaipo ndakange
ndichitoda zvangu kutomunyudza Tapiwa uyu .
Ndakasvika kumba misodzi iripanatama zvekuti
gogo vakatoshamisika .

"Kwakanaka here kusvika uchiyeredza misodzi


kudai asi watambira shoko rerufu zvekare here?.

Vakabvunza gogo handina kuvapindura nguva


iyoyo nekuti ndainge ndizere neshungu.Shungu
padzakadzikira ndipo pandakabva ndatanga
kuvatsanangurira

"Me: Ndaishaya gogo kuti ndiani akandibata


chibharo iye ari Tapiwa zvake".
"Gogo: "Hezvo asi unopenga kani Nyarai?

Me:. "Ndapengei zvangu ini ndiri kutorevesa ini


Tapiwa ndizvo zvandiudza pandasangana naye
anyatsondiudza zvose zvakaitika.

Gogo : Inga zvakatooma nhai muzukuru zvaita


sei kuti ataure nhasi uno pamakore ese apera
aya zvaitika.

Me: Regai ndikutaurirei zvaitika kuti asvike


pakundiudza .

Hapana chandakasiya ndakataurira gogo zvese


zvainge andiudza Peter .
"Yohwe Inga moyo wake wakashata kwazvo".

"Zvino haingopera gogo ini ndafunga


zvekutoendesa nyaya yake kumapurisa
handizivi kuti muri kupaonawo sei gogo
handingamusiye munhu uyu .

"Ummm nhai Nyarai tarisa uone makore avapo


aya ..kuti uchaye nda kumapurisa ikozvino
handione sezvichabuda,anogona kukurambira
Tapiwa uyu kuti ahana kuzvitaura zvaitoda
proof chaiyo yakazara uyezve zvaida panguva
yacho futi pazvakaitika kuti mapurisa
anyatsotonga nyaya yacho.
"Aiwa gogo proof yei inodiwa ndinongovaudza
handiti azvitaura ega here Tapiwa .

Ndakadaro zvangu gogo havana kana


kundibvumidza zvandakange ndataura
izvi,vakatoti hazviite uyezve zvaizodyara
ruvengo nevavakidzani..Zvakange zvine basa rei
iye akange akandikanganisira hupenyu hwangu
chikoro ndakange ndakatosiya because of
him..ndakachema weduwe gogo pavakaramba
kuti ndiende kumapurisa

Shungu dzacho dzakange dzatowedzera


zvekare nekufunga Bee wangu ndianiko
aizondivaraidza weduwe ndakange ndajaira
kuva ndinaye pese pandinenge ndiri ndakange
ndisisina kana chiremera mufunge
pandaifamba handizive kuti aizobva
mupfungwa dzangu Bee uyu .

Gogo pavakaramba kuti ndiendese nyaya yagu


kumapurisa ndakabva ndangosiyana nazvo
hangu..yakange yakatodeuka kare
..ndakanoudzawo sahwira wangu Chipo
nezvenyaya iyi akatoshamisikawo nazvo

"Ndosaka aida kukubata chibharo musi uya futi.

"Shaa pakaipa dai pasina kuti gogo varamba


kuti ndiende kumapurisa anga dai atobatwa
atove mujeri kutaura kwatiri kuita kuno
"Zvechokwadi Nyarai hazvichaita makore acho
awanda wena zvakatongopfura chisiyana nazvo
asi dai Bee ari mupenyu waitsvaga imwe nzira
or wamupa mwana wake ochengeta but
zvinorwadza hako.

"Zviri kundirwadza asikana ndakatambura naye


Bee zvaunotoziva iye aripo zvake Tapiwa.

"Don't worry dia zvatopfura shaa chirega


kufunga nezvazvo .

"Ok Chipo".
Akatora nguva hombe achindidzoreredza
mumwe wangu

Mazuva akafamba zvawo ndiri pamba pa gogo


vangu naPeter taingotaura pa phone hedu
ndaitokumbira hanzvadzi ya Chipo phone iye
Peter wacho akange asati anditengera ..

"Nhai Nyarai tarisa uone wakaroorwa hazviite


urambe uripano dai zvainzi mwana uyu akange
ari waPeter zvainzwika wadii waenda kumba
kwawamwene wako ozodzoka mazuva
enyaradzo akwana".
Vakataura gogo mashoko avo sya rimwe zuva
ari manheru tichidya sadza .

"Handiti amwene vangu vakati ndimbogara here?

"Haiwawo vanopenga avo enda chete


unozodzoka.

iii zva gogo weduwee pamwe vainge


vakupedzerwa chikafu chavo neni hameno..lvo
amwene vangu ndivo vakange vati ndimbosara
gogo vave kuti ndiende pakaipa...hapana
chandaikwanisawo kuita ini ndaingoenda
sekureva kwavo
Handina kuzogarisa zvangu ndiri kwagogo
ndakabva ndazodzokera kumba kwavamwene
vangu . Ndakangoti ndichisvika vakabva vat..

"Handina kukuudza here kuti wozouya kana


Nyaradzo yaitwa ".

Vakadaro amai va Peter pandakangosvika kana


neremuromo ndakarishaya zvangu
*TAPIWA*

Nyarai munhu wandainge ndichida nemoyo


wese kubva kare..Mukadzi ndakange ndiinaye
zvangu nevana 2 asi nenyaya yekusagutsikane
nemunhu one.Isu varume tinenge tichitoda
zvema girlfriends vanoti nyaradza kana
tagumburwa kumba uku. Ndaishaya kuziva kuti
ndomusvikira sei kuti andidewo ,ndakatora
nguva hombe ndichingotsva moyo kuti
ndimukande riri shoko ndakatoona kuti
aisatombondibvuma zvachose nekuda
kwemukadzi wandaive ndiinaye. Ndakabva
ndatoronga yekumubata chibharo achibva
kuchikoro kwakange kwatoti svibei hako ..Face
yangu ahana kubva ayiona ndakasvikomusunga
kumeso kwake nejira paifamba ini ndaive ndiri
mumashure.. Ndokubva ndamudhonzera
musango ndichibva ndamubata apo akange
achiri mhandara zvake .

Akazama kuda kudii nekudii kuti ndisarare naye


zvikashaya basa ,pandakange ndapedza basa
ndakabva ndati tsoka ndibereke nekuti ndaiziva
kuti yainge itori mhosva hombe
..Ndakatozogaya later kuti ndainge ndaitei apa
chero dai ndakamuudza kuti ndini ndainge
ndamubata ahaizobvuma kudanana neni
aitondisungisa..So ndakangonyarara kuti zii .

Vanhu vakaedza kutsvaga kuti ndiani akange


amubata chibharo vakashaya hapana kana
akange ambofungira inini zvake ndini ndega
ndaizviziva kuti ndini ndainge ndakaita mabasa
aya ..Yaive mhosva ka iyi ndaigara ndichitotya
asi hapana akandibata .

Nyarai kumubata kwandakamuita nhumbu


yakabva yabata akazvara mwana akange
akafanana nechimwana changu chisikana
hapana akambozvifungirawo kuti mwana uyu
aive ari wangu kunze kwemukadzi wangu.Ndiye
akatanga kuyita hudetective achiongorora
kusvika azonditaimira ndakadhakwa
ndamuudza zvose.Izvo zvakayita kuti
arongedze mabag ayende.Haana waakataurira
nyaya iyi uye haana kuda kundisungisa nekuda
kwekuti ndiri baba vevana vake.Kuyenda
kwemukadzi wangu hakuna kundirwadza nekuti
ndaive ndotoda Nyarai kupfuura iye.Moyo
wangu wairwadza chose ndaitoda kuudza
Nyarai kuti mwana ndewangu nekuti
ndinomuda asi ndaiziva kuti ndaizoitwa maone
ndikaendeswa mujeri ndakangozvinyararawo.

Vana vangu vakange vave kuchengetwa namai


vangu ..Rimwe zuva ndakazoita zvivindi
zvekunyenga Nyarai kuti ndimuroore
ndichengete mwana wangu akaramba..

Pandakanzwa kuti akange avekuda kuroorwa


na Peter ndakabatikana chose mwana wangu
chokwadi akange ave kutoenda kunochengetwa
kudzinza risiri rake ini ndiripo chokwadi haa
zvakandibata kwazvo .

Ndakaedza kumira mira kuti asaende Nyarai


zvakashaya basa akaenda ndakatarisa
ndakazongozviudza kuti anozouya mwana
wangu akura ndaizongomuudza kuti ndini baba
vake .

Chero hake akange aroorwa Nyarai


pandaimuona ndairwadziwa kwazvo ini asi
ndakazongofara kuti mwana wangu
aichengetwa zvakanaka na Peter .

Mufaro wese wekuona mwana wangu achikura


zvakaka wakabva wapera kuti hwaa
pandakanzwa kuti Bee akange adonhera
mutsime akafa..Ndakachema handidi kunyepa.

"ko zvowochema kudai kwakanaka .


Vakabvunza amai vangu ndivo vakange
vandiudza nezvekufa kwa Bee.

"Amai Bee akange ari mwana wangu handina


kunge ndakakuudzai zvangu.

Vakavhunduka amai vangu


ndakavatsanangurira zvose vakandituka vachiti
ndakadii kutora mwana wangu pese
apa..Yakange yatodeuka kare Bee
akandirwadza ndiye akange ari mukomana
vamwe vana vangu vaive vasikana ..ndakabaiwa
pamoyo chaipo ndakademba ndikazvirega

Parufu rwake ndakange ndiripo ndaitomira


mirawo sababa ka chero hazvo pasina akange
achizviziva ndini ndakatoshanda basa hombe
pafoshoro handina kusuduruka vamwe
vaichinjana ini handina kuchinjana nemunhu
..ndakafushira mwana wangu misodzi iri
pamatama vanondiona vaitoti kurwadziwawo
nerufu urwu.

Ndakazonyanyo rwadziwa ndanzwa mai Peter


vachiti Nyarai ndiye akange auraya mwana
wangu kuti agare zvakanaka naPeter wake.
Zuva randakasangana naye ndakamuudza
chokwadi kuti ndini ndaive baba vake
akachema asi hapana zvazvakabatsira mwana
akange asisipo hake.
End of Chapter
🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

*COLLABORATION STORY*

*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞±27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*
*CHAPTER 2 ⃣6 ⃣*

*AMAI VA PETER*

Mufaro wese wa Nyarai wakange wapera kuti


hwaa ndakange ndamugadzirisa, kumugona
chaiko akange andifuwisa pamba pangu...Zuva
rakaparara vanhu vachienda kudzimba dzavo
ndakatogaya zvekuti ambosara kumba
kwagogo vake ini ndaida kumbotambanuka
zvangu ndichipemberera kufa kwakaita Bee .

Ndakava nemufaro wakawedzera ipo paichema


Nyarai ndaitosekerera nechemumoyo mangu
,,pandakange ndave kumba ndainyatsonzwa
kuti pave nerunyaro pamba pangu .

"Ko maiguru vachauya riniko nhai mhamha".

Ndi Pau uyu akataura mashoko aya


"Unoda kuti auye kunoiteiko Nyarai pano musiye
agare kwaari ikoko".

"ummm but zvakaoma firo yakaita Bee haina


kundifadza chokwadi munhu kungofa asina
kana kurwara ..dai akange akarwarawo zvaive
nani".

"Nyarara nyaya yako iwe pane munhu anofa


nekurwara chete here ..zvakatoitika izvo aiva
nerubatsiro rwei pano Bee basa kuchengetwa
nemwana wangu ..Mari yaakatambisa Peter iri
kundirwadza zvinhu zvainge akatengera Bee
zvanga zvakawanda dai akatengera ini Mai vake
zvaive nani ave kukoshesa zvake mwana
wemusango ".
"Ummm matauriro enyu mhamhaka ahana
kunaka , kuita kunge munechekuziva nezverufu
rwaBee.

"Saka Unoreva kuti ndini ndakamuuraya zidzoro


kasira kuenda kunovata uko mangwana
kuchikoro.

Akabva atongosimuka Pau..aipenga uyu akange


aine basa rei nazvo ..Ndakasimukawo ndoenda
kunorara zvangu ..Ndakatanga kutorota Bee
achiuya kuhope dzangu achichema akamira
kumberi kwangu achiti *makandiurairei
ndakange ndatadzeiko*..Ndakava nekutya
weduwee. Zvakatora mazuva akawanda
achiuya kuhope chete Bee uyu ndokuzotsvaga
mishonga echivanhu kune imwe n'anga
yakandipa uchiti ndinoenda kuisa paguva
pacho ipapo ndakatoenda huri husiku kuti
ndisaonekwe nevanhu,kubva musi wacho iwoyo
handina kuzomuona achiuya kuhope dzangu
ndakange ndanzwa nekungorotoomoka ini

"Ko nhasi unoka ndipo pachabvondoka chekuti


muroora wenyu mwana wake afa anga ari
mwana wa Tapiwa".

Vakange vari Mai Susan vakauya vachindiudza


izvi ari masikati ndigere zvangu pamumvuri.
"Ah munorevesa here nhai imi?

"Ndingagokunyeperei hangu"

"Ko ndiani akuudzai izvozvo.

"Ndakasangana navo vari vaviri havo iye Nyarai


wacho akange ave kutoda kuita mhanda naiye
Tapiwa mushure mekunge audzwaka kuti ndiye
akange akamubata chibharo..Bee akatomuti
akange ari mwana wake".

"Hehedeeee"
Takarovana maoko nasahwira wangu .
"Ndakatomboda kuzvitaura ini nairo dzoro
ranga rina Bee riya ranga rakafanana na Tapiwa
chokwadi ndakangotiwo pamwe kungofanana
nawo inga zvakaoma nhai weduwee kana
Nyarai wacho izungairwa chairo kubatwa
chibharo kutadza kuziva munhu wacho ..'.

"Anopenga mufunge kana iye Tapiwa zvakaoma


zii hake makore ese Aya".

"Zvakaoma chokwadi Peter anofanira


kutozviziva izvi

Takatora chinguva nasahwira wangu tichitaura


hedu .
Ndakabva ndatogaya musi uya wandainge
ndaronga naye Tapiwa kuti abate chibharo
Nyarai that's why akabvumaka aiziva kuti
akange akatombomubatawo kkk pakaipa.

"Ko zvino achiri kupi ngachidzokaka akubatsirei


basa".

"Ah ngambogara kumba kwambuya vake


achiyaradzwa anomhanyirei kuuya kuno
sezvinonzi murume wake aripo pano.

"Taurai henyu ngambogarako .


Vakadaro Mai Susan vaizivei zvavo kuti
ndakange ndisingade kuti atodzoka pamba
pangu .

"Chandakafarira ndechekuti makange mave


kuwirirana zvenyu dai maiita yenyu iya dai
zvatozara kuti ndimi makauraya mwana wake
uyu.

"Taura hako sahwira Mwari vakagona kukasira


kubvisa mweya wakaipa wakange wandipfeka
kutaura kuno dai ndichitonzi ndineruzivo
nezvekufa kwa Bee iye ari Nyarai akauraya ega
mwana wake".

Ndakadaro nechemumoyo ndikati maziveiko


ndini ndakamukanda mutsime haa chivindi
chandakashandisa ipapo chakange chisina
kumira mushe chimwana chake Nyarai
chaindibudisa mubudget mhani chaidya kunge
chikwambo chaicho.

Mai Susan vakatozosimuka havo


ndikavaperekedza ndikadzokera kumba ..Zuva
irori ndiri busy kubika chikafu chemanheru
ndakabva ndaona Nyarai achitosvika pamba
pangu ndakanzwa hasha dzisingaite.

"Handina kutaura kuti unozouya kana Nyaradzo


yaitwa here asi yatoitwa Kare here?"
Ndakadaro ndakashatirwa.

"Gogo ndivo vati ndiuye.

"Vanogodaro kuti zviite sei vakunyaradza


nguvai ipapa dzokera kwawabva

"Nhai mhamha ndingadzokere futi hazviite


regai ndigare kuno ndozodzokera kana
yakusvika Nyaradzo yacho.

"Watangaka kusanditerera ini zvekutaura


handichada Nyarai kana wati unoenda
Nyaradzo yasvika hazvina hazvo basa gara
zvako"
Kwakange kuri kusatorevesa nemoyo wese
..lye Nyarai wacho akabva atopinda muimba
yake kana simba rekumurambidza ndakabva
ndatorishaya asi kutaura chokwadi handina
kufara nekudzoka kwake .

Mazuva akafamba ari pamba pangu handina


kutanga zvangu zviya Zvekuswero netsana naye
ndaingomutarisa so .lye aisaratidza kufara l
think aifuga rwana rwake
*PETER*

Rufu rwa Bee rwakandirwadza kutaura


chokwadi ndakabaiwa pamoyo chaipo
pandakafonerwa ndichiudzwa kuti mwana
wemukadzi wangu hakuchina ,kana hope
chaidzo hadzina kuuya musi uyu. Vakange
vadarirei Mwari kumutorera ruva rake raigara
naro .Ndiko kwakange kwatopera kufara
kwemukadzi wangu ,akange aine mufaro
nemwana wake uyu ..

Satan akange akaoma chokwadi akange atora


Bee nenzira isiriyo asi mai vangu vayinge
votaura zvavo panhamo vachiudza vanhu kuti
ndiNyarai auraya ,ndakasvotwa nehunhu wamai
vangu..Handina kana kumbofara nekuda
kwekuti akange afa nekuti aive asiri mwana
wangu ndakanyatsobatikana handidi kunyepa
..Bee ndaitomutora semwana wangu zvake
handiti ndaige ndakada amai vacho saka
hazvaiita kuti ndimuvengeka...

Asi ndakava nekunetseka kuti akange adonhera


mutsime how .

Ndakaenda kunomuchemawo Bee ndakanyatso


batikana kukuru nemachemero aiita amai vacho
asi ndakazviudza kuti ndaizopukuta musodzi
mukadzi wangu uyu ,ndaifanira kumupa mufaro
wakanyanya .. Ndakamira Mira semukuwasha
parufu rwa Bee ndakaratidza chido coffin ndini
ndainge ndakatenga kana chikafu chaicho
chakadyiwa parufu ndini ndakatenga again
ndini ndakatomira sababa va Bee,lye akange
akapa Bee chibharo aisazivikanwa hake kuti
akange ari ani uye akange arikupi nhasi uno
mwana wake akange afa..

Zvisinei hazvo zvakange zvatopfura


ndakadzokera zvangu kubasa Bee paakange
aradzikikwa.. ndaitofanira kusiya basa
randaishanda iri ndotsvaga rimwe ndomutora
ndogara naye.

Mazuva akafamba ndaingotaura naye ndokubva


azondiudza zvake kuti akange avekumba
kwamai vangu..
Hazvina kunditorera time zvekuwana basa
rakange riri nani pane shamwari yagu Tinashe
wandainge ndichiwirana naye ku Harare uku
ndiye akazonditsvagira basa reku driver ma
Truck chitambi ndakange ndiinacho Kare
..Mwari vakange vaita havo ndaitozotanga ku
driver after Nyaradzo ya Bee ,zvaitoreva hazvo
kuti Nyaradzo ichingopera nave kutakurana
newangu mukadzi kudhorobha ,ko aisarirei
zvake iye Mwari vakange vandipa basa riri nani
randaigaro chemera siku nesikati rehu garden
boy raisaita zvachose ndaingoshigirira zvangu
kuti ndiwane Mari .

Mazuva akamhanya ndokutanga kugadzirira


zvekuti ndiende kuNyaradzo rwa Bee rwakange
rwave kusvika urwu
End of Chapter

🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

*COLLABORATION STORY*

*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞±27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*

*CHAPTER 2 ⃣7 ⃣*

*NYARAI*.

Vamwene vangu ndayitovaona kuti vaive vasina


kumbochinja asi vayinyepedzera . Chero
zvavayiudza vanhu handina kumboda kuva
bvunza ndakangoti Mwari ndiye anoziva.Pasara
mazuva maviri ekuti Nyaradzo yaBee iyitwe.
Ndakarongedza hembe dzangu dzandayida
kuzoshandisa.Ndakabuda vamwene vayive
vagara paverondor.

Me: "Mamha ndave kufano tungamira


kunyaradzo."

Vamwene: "Wayinge wakambovingeiko.Murume


wako haasi pano zvokuti tayiti wakadzokera
murume.Waive wakatiza nzara ka kumba
kwambuya vako .Unoziva kuti pano panodyiwa
ndosaka wakadzoka."

Me: "Handidi hangu nemashoko angu.Ndauya


kuzooneka rega ndiyende."
Her: "Kunyangwe dai unawo wayindiitei
ndakatokupedzera kare iwe hausisina
neremuromo."

Me:" Ok"

Her: "Dai wakayenda kare, makabika doro sezvo


kayizoita kachidhakwa kana kakura sababa
vacho Tapiwa kkk."
Ndakashamisika kuti vaive vaudzwa nani
zvaTapiwa .Ndakazogaya kuti pamwe namai
Susan.Asi ini mai Susan pandakataura
vakanditi ndinopenga asi vaive
vozvishambadza.
Ndakatora plastic rangu ndakatanga kufamba
.Ndakatoshaya kuti vamwene vangu vayirevei
pavakati ndakakupedzera kare .Ndakademba
kuti dai kari kare kangu Bee achiri mupenyu
ndayipindurana navo .Zvino apa kana
kusimudza muromo chaiko ndayiremwerwa
ndaive ndogara ndakanyarara ndichifunga
mwana wangu.

Ndakafamba ndakasvika kumba kwambuya


vangu.Ndakatoona ana mbuya mai Gamu
vatoveko .
Me:" Ko imi matouya kare."

Gogo mai Gamu: "Eh tanga tauya kuzobika


mahewu ekuti vanhu vazonwe zvino hapana
chimera."

Me:" Siyanai nazvo vanhu vanongoyita zviripo."

Gogo mai Gamu:" Zviripo zvacho chii.Hapana


kana nembudzi zvayo yekuti tozouraya vanhu
vaone muriwo.Hupfu chete ndiwo huri pano."

Me:" Pakayipa tave kutongomirora Peter


paanouuya mangwana , toona kuti anouya neyi"

Gogo mai Gamu:" Ok kana uchimutemba


zvekudaro murume wako."

Takazoswera tichitaura zvedu nyaya


nezvaBee.Ini nagogo vangu tisu tainyanyo
kutaurisa . Tayitaura zvose zvayiitwa naBee.

Ave mangwana acho ndipo pakauya Peter


nevamwe vese vekumba kwavo .Vakatouya
vakaremerwa negrocery.Zvese zvekudemba
kuti dai pane chimera payitwa mahewu
zvakabva zvapera.Mazoe ndiwo akazomira
semahewu.Sezvo Nyaradzo yacho yaive
yemasikati zvayo payisadiwa
zvakawanda.Mbudzi yakatotengwa sadza
rakabikwa vanhu vachiyimba .Kumazuva rodoka
vanhu vapedza kudya sadza vakaparara.

Asi chakandishamisa vamwene vangu vayive


vasipo panyaradzo.Nyaradzo yapera ndakati
rega ndibvunze Peter kuti sei vasina
kuuya.Ndakatorana naPeter takayenda pedu
tega paside pedanga rembudzi.

Me:" Honey ko mamha sei vasina kuuya


panyaradzo."
Peter: "Handisi kutozivawo babie.Time
dzatauya kuno tatovasiya vatopedza vachiti vari
kutevera.Vatopfeka pfeka changa chasara
kukiya nekutevera.Zvino nyaradzo yatosvika
pakupera vasina."

Me:" Pamwe pane zvayitika wadii


wambodzokera kumba wanoona kuti
kwakanaka here.'

Peter: "Dai pane chayitika Pau afona nekuti


ariko kumba ikoko.Zvichine basa reiko babie
handi yapera here nyaradzo yacho."
Me: "Eh yapera hayo asi vanhu vanenge vane
mubvunzo kuti sei vasina kuuya."

Peter: 'Yaah asi yadeuka yatodeuka .Plus


hapana asingazive kuti iwe namamha
hamuwirirane saka hazvimbovashamise."

Me; "Asi vakaoma moyo havo."

Peter: Siyana nazvo.Nyaradzo zvayapera kudai


takuyenda tose kuHarare kana kunyaradzo
yabamunini iriko next week hatidzoke handi
vakambotinyadzisa ikoko .Togona
kunonyadziswa futi takayenda.Ndatosiya
ndatsvaga imba yekugara.'

Me:" Ok"

Peter: "Ko zvaunenge usiri kufara wani babie."

Me: "Sorry hako kuyita kunge ndisiri


kuappreciater zvauri kuronga.Ndiri ,asi
zvayindinakidza kunogara nemwana
wangu.Ndichiziva kuti hapana achatinetsa
ndiyo reason hombe yadaida kubvira pamba
pamai vako .Kuti mwana wangu awonewo
kusunuguka zvino apa kana chinangwa chacho
chekutiza handichione.Ndotoona kuti zvirinani
kugara hangu kuno kwakasununguka
kwandisingavhunduke rent.Zviri zvamai vako
usandityire iyezvino mwana wangu zvaafa
handisisina chekutya.Pane zvekunogara Harare
tozonetswa nekubhadhara rent."

Peter: 'Usatye hako babie ndakaona rimwe basa


randiri kutotanga next week rematruck . Zvokuti
tinenge tisisacheme mari asi kuchema kuwana
nguva tose nekuti ndinenge ndichiyenda kuDRC
nedzimwe nyika."

Me: "Wow Inga Mwari ariko chokwadi."


Peter: Chokwadi naBee mwana wangu
andivhurira tarisa kungofa kwake chete ndabva
ndatowana basa svinu.Pese apa ndayikanda
maCv zvichiramba."

Me:" Iii ndafara murume wangu iyezvino ndave


kuyenda kuHarare ndakasununguka
manje.Ndisina kutya kuti ndichanhuwidza
passage yose nemunyemba everyday."

Peter: Kk ende babie saka ndizvo zvawanga


uchitya izvozvo . Kunyangwe takanhuhwidza
zvinenge zvineyi navo handi tinenge tiri mumba
medu."
Me: Zvayizonyadzisa honey kuti tayita mwedzi
wese tichibika munyemba .Kupera kwemwedzi
futi totadza kubhadhara rent kkk nekuti mari
yacho inenge isingakwane."

Mainini mukadzi wabamunini Paul vakabva


vasvika pataive takamira.

Mainini:, "Bamukuru chimbotipayiwo mukana


wekutaura namaiguru ava.Chinguri ndamirira
kuti muchasuduruka ndotaura navo zvino
ndatoona kuti hamusi kubva .Mave kutoona
kunge muri kuhoney moon kwenyu mega."
Peter;, Kkkk asi Paul aramba kutaura nemi
kani.Musarwadziwe kuti ndiri kutaura
nemukadzi wangu .Imi munogara nemupfanha
wangu mese munenge musina zvekutaura pane
vanhu."

Mainini: "Haiwa tipeiwo mukana isu."

Peter:; "Ok rega ndiyende hangu."

Peter anobva ayenda panguva iyo.Sare ini


namainini.
Mainini: "Maiguru ndakashaya nguva yekutaura
nemi panhamo.Ndayida kukupai sando
dzenyu.Dotcom rese ndakabatiswa natete Pau."

Me: "Paive pakayipa mainini ndini ndayive


ndotonga pamba paye.Kana pamakauya
kunhamo handi makazvionera kuti ndaive
ndakasimba iye zvino ndatowonda nekufunga
mwana wangu."

Mainini: "Ndakazviona kuti maive masimba


shuwa..Makagona maiguru handi ndakakuudzai
kuti munhu haadi kusekererwa unopera ndiwe."

Me: 'Vogochinja here vamwene venyu ,haiwawo


.Tinowirirana zvetwo days mangwana
vanofuma vakakwindirama.Vanoyita kunge
rwayivhi runongochinja chinja ma colour.Pakafa
Bee taive towirirana asi pandakadzokera vaive
vachinja".

Mainini: "Havana kumbobvira vakakudai. Imi


ndimi mayitobatwa kumeso nekuti panhamo
vayitofambisa shoko kuti ndimi mauraya
mwana.Vakatozopopoterwa naPeter .Imi
hapana chamakaona nekuti maive mukitchen
muri pakuchema.Panze ndipo pakayitika drama
rose asi bamukuru havana kukuudzai."
Me: "Havana ava."

Mainini: "Maybe vakatya kukuwedzerai


marwadzo."

Me: "Yaah , ndakatozozvinzwa kwapera one


week neshamwari yangu kuti ndizvo
zvavayiudza vanhu asi zvekuti Peter
akapopotera mai vake haana kutaura maybe
zvakamujambawo."

Mainini: "Eh nekuti hazvina kuyitika pano


zvakayitika kumunda.Ndiko kwakayitika drama
racho rose.Zvokuti vazhinji havana
zvavakaona."
Me:" Inga zvakaoma vamwene vangu
havachinje chokwadi."

Mainini: "Havachinje avo ,muroyi chaiye ndivo


vanenge vakauraya Bee."

Me: "Kana mainini ivo vayive kumba , ini ndina


Bee ndega mugarden. Ende tutsoka twake
twayivepo kuratidza kuti akafamba ega kuyenda
kutsime."
Manini:Ummm ini hangu handivachenese
vaye.Tarirai ipapa havana kuuya kunyaradzo
varegererei."

Me: "Hameno asi zvekuuraya havasi.Ipapo


ndivarambira zvangu."
Mainini: "Ok but ndoda kuti timboyenda tose
kuna mbuya vanoshopera kuHarare kwedu
ikoko.Mumbonobviswa minyama maiguru
zvanyanya."

Me: "Aah ini zvekun' anga bodo dai kuri


kuchurch."

Mainini: "Musatye maiguru ivavo vakatosiyana


nen'anga dzose dzinozorombesa vanhu
dziya.Ivo zvavo vakagarwa nengozi.Mweya
wemufi uripavari ndiwo unenge uchiona kwete
kuti vanoshandisa mishonga yakayipa
kwete.Mudzimu wengozi kwete zvehurombwa."

Me: "Hoo asi ini ndinotya hangu kumba


kwen'anga."

Mainini:, "Munogotyei handi munenge muneni


here asi kana musingade henyu garai."
Nechemumoyo ndakangoti hunice hwavo
ndehweyi handisi mwana wamai vavo kaini
voda kundiyendesa kun'anga hakusi kuda
kunondirombesa ikoko.Dai kuri kumaporofita
ndayiti better ini zvemunhu anoyenda kun'anga
handimufarire.Asi kuti ndirambe direct
semunhu angondibata boe ndakaona
zvisingaite saka ndakazongoti.

Me:" Ok ndichambofunga nezvazvo."

Mainini: "Ok maiguru rega ndinoona kuti mwana


wangu aswera sei ndamusiya natete Pau."
Me: "Sharp mainini totaura."

Mainini: "Sharp handi mangwana tiri kuyenda


tose kuHarare ."

Me: "Yaah"

Vakabva vayenda havo ini ndakadzokera


mukitchen maive mune vamwe.Ave manheru
Peter akabva auya akatanga asweresa vanhu
ndokuzoti.

Peter: "Pamusoroyi ana mbuya nana sekuru


uko.Pane zvandinoda kutaura handizive kuti
mungandi bvumidzewo here.."

'Taura hako muzukuru takateverera,' vakadaro


ana sekuru vangu.

Peter: "Eh nhau iripo ndeyekuti nyaradzo


zvayaitwa ndave kutakura wangu mudzimai
kuHarare.Izvi zvekugara kure nakure ndaona
zvisiri kuyita saka ndafunga kutora hangu
mukadzi wangu.Ndati ndikuzivisei kuti anenge
asisagare namai vangu ."

"Wagona chaizvo muzukuru , munhu pamunhu


wake muchiri vana vadiki imi".Vakadaro vanhu
vese vayive mumba.

Pete: "Ndinotenda tichasimuka mangwana ,


nhasi vanomborara pano. Mangwana vouya
havo kuzogadzirira toyenda.Vanenge
vachizoyita vachikushanyirai".
"Zvakanaka chaizvo hapana
chakayipa".Vanodaro ana sekuru vangu.

Peter:,"Ndinotenda. Ini ndavekuyenda kunorara


ndizvo zvandanga ndavinga zvekukuwonekai."

"Waita basa muzukuru nebasa rawabata


pano.Ndizvo zvinoratidza kuti mwana wedu
arimumaoko akanaka. Chero wakayenda naye
kuHarare hatikutyiri.Mwari varambe
vachikuropafadzai muve pamwe nguva
dzose."Vakadaro sekuru baba Chamu.
"Amen ",takadaro imba yese including
Peter.Achipedza kudaro akabva awombera
maoko ndokubuda hake achiyenda."

Kubuda kwake yakasara iriyo topic


yekurumbidzwa nezvaayive ayita panhamo
zvese nepanyaradzo.Takazotandara hedu
vanhu .Fume mangwana acho , ndakawoneka
vanhu ndakayenda kwana Peter achiri makuseni
kunorongedza ...

End of chapter 27
🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

*COLLABORATION STORY*

*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞±27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*

*CHAPTER2 ⃣8 ⃣*
*NYARAI*

Ndakatosvika vanhu vese vasati


vamuka.Ndakagogodza kuwindow yepamba
pandayirara. Ndayisada kumutswa
vamwe.Peter haana kunonoka kudaira akabva
atoyenda kudoor kunovhura . Ndakapinda
ndakatora washeni yangu ndakatanga
kuwacha.Ndave kutopedza ndakabva
ndasangana nehembe yaBee hameno yaive
yasara sei.Ndakayibata ndakabva ndagara pasi
ndakatanga kuchema ndakayigumbataira.
"Hezvo hezvo unoshura nhaiwe mukadzi
waPeter zvowongoramba uchiita mariro pamba
kwangu saka makayitirei nyaradzo musati
mapedza kuchema".Vakadaro vamwene.

Peter:, "Musiyei amai ndezvanhasi chete


mangwana munenge musisanyaudzwe."

Her:" Aah better ndochisarawo ndichifema


mweya wakanaka.Takuranai muyende."
Vakabva vabata mutsvairo vakatanga kutsvaira
yard apo ini ndayive ndatoyisa hembe maline
ndichiti yard hayitsvairwi sezvo
yakachena.Ndakanotomhanya kunobvisa dzese
kwakudzivharira mumabucket.Ndakazoyanika
vapedza.Hadzina kutana kuoma ndakangoti
ndichipedza kunwa tea ndakabva ndatotanga
kuayina.

Kumazuva rodoka tichioneka.Tese nana


bamunini takasimukirana takanokwira kombi
imwe.Ndakatozoona kuti Peter ayive atsvagira
imba pedyo nepayigara munin'ina
wake.Vayitogara panext pedu mainini.
Mumba medu macho maive musina kana
chinhu zvokuti takatorara pasi musi iwoyo fume
mangwana tichinotenga kastove nekapushing
tray kekuyigadzikira nekuyisira
tumaplates.Patakadzoka ndakabva ndadedzwa
nalandlord wepo.

Landlord: "Eh mai Zuze pano tinomuka na4am


anenge ari paduty. Kuyitira vanoyenda
kumabasa vayende vagezera mubathing
rakachena .Saka munomuka na4 mokwesha
mubathing nemutoilet then kana vemabasa
vayenda na6 motanga kutsvaira passage
nekukorobwa nekuyisa cobra.Moshayinisa
kwete zvekusiya cobra ichinamira.Panze zvese
nemawindow seal's toda kuona
zvakachena.Duty rinoyitwa ka2 per day masikati
nemakuseni kweone week."

Me:, "Ok ndapanzwa mamha."

Ko landlord ndiye mukuru zvee.Chero akayita


mudiki unenge uchingoti mamha kana kuti sisi
🙄

Landlord:", Ok chiyenda hako".


Ndakabva ndabuda ndakanoudza Peter zvaive
zvataurwa.

Papera one week Peter akabva ayenda kubasa


sare ini ndega.Mainini vayipota vachiuya
kuzonditandadza.One day ndakati rega
ndiyendewo kwavo .Ndokutovasvikira vachida
kubuda vane umwe mukadzi .

Me:, "Moyendepi zvee ini ndichiuya


kuzotandara."
Mainini: "Tinoda kuyenda kuEpworth kuna
mbuya vaye vandayimbotaura nezvavo.Handi
imi makaramba ndosaka ndanga ndave
kuyenda ndisina kukuzivisai."

Ndakanzwa moyo wangu uchiti chingoyendawo


.Asi kana waona zvausina kunzwisisa
unodzoka kumba.
Me:, ,"Ayiwa handei inga paye ndakati
ndichambofunga nezvazvo wani."

Mainini: "Ok handeyi hedu.Matakura mari


yekukombi here..

Me: Ayiwa handina rega ndinotora.


Ndakamhanya ndakanotora pakamari
kandayinge ndasiyirwa kemuriwo
naPeter.Takabva tayenda hedu kuEpworth
.Tichisvika ndayitarisira kuona pane vanhu
vakawanda vayibatsirwa asi kwete.Payitove
nekachembere kaive kakagara
panze.Kakachenuruka nechuma chuma zvaive
mumakumbo.Takanogarawo paye.Vakabva vati
one ,one kupinda mumba macho.Kwakatanga
mainini kwakazotevera mukadzi wataive
naye.Kwakazopedzesera ini.

Ndayiita kutya zvokuti pandakapinda mumba


macho ndayingotarisa tarisa.Asi hapana
chandakaona kunze kwehakata yavo
nemabhonzo avo. Andakanzi ndifuridze
ndokuchukuchwa akakandwa pasi.
"Ndiri kuona wakayiswa munyama newaunoti
mbuya vako pavakadzi vana sekuru vako ivavo .
Ndizvo zvirikukonzeresa zvese zviri kuyitika
muhupenyu mako .Kubva pakubatwa chibharo
,kushaya rugare pamba pewakaroorwa zvese
zvekufirwa nemwana kunyangwe zvazvo
mwana akayita zvekuurayiwa."

Ndakarohwa nehana pavakadaro.


Me:" Kuuurayiwa nani uye jambwa racho riri
kukonzerwa nani wacho chaiye."

Mhinduro unayo kare wakatarisa panana


ambuya vako pane anokufarira
neasingakufarire . Zvokuti wayiti wakayitirwa
chinhu nemurume wake ayipopota uye
akapotsa adzingwa mumusha nekuda kwako
ndiye wacho iyeye.Ndipo pakabva daka ipapo
akazokusimudzira mhepo pachipfeko
chekuchikoro chakakapihwa ndipo payive
pakagadzirwa ipapo."
Zvakandiomesa mate mukanwa shuwa , zvaive
zvayitika zvayitaura ambuya ava.Asi handina
kumbofungira ambuya mai Chamu kuti
vakandivenge kusvika pakudaro.

Me: 'Hongu ndavaziva asi ndave kuda kuziva


akauraya mwana sekutaura kwamayita kuti
akaurayiwa."
"Ayiwa handitaure ndinoda areurure ega
pamberi pevanhu vose." Vakadaro mbuya vaye.

Vakabva vatora tumabhonzo tuviri ndokuti


nditaure zita remwana wangu ivo
vakamabata.Ndakayita sekudaro .

"Ndatopedza soo ndasunungura kutsipikwa


kwaayive akayitwa. Dai zvakabuda kare izvi asi
pakazoyita akashereketera kuti zvisabude.Zviri
zvejambwa totoyenda kurukova kunokugeza."
Me: "Zvarinhi'.

Izvozvi handeyi hedu.

Vakabva vatora hakata yavo nechindiro chemuti


maive nemukaka.Ndakangoona kuchena
hamheno kana waive mukaka.Vakatungamira
ivo ini ndiri kumashure . Vachiyimba
,vachizunza hakata yavo hameno zvavayiimba
zvayisanzwisisika.Ndayitotya hangu apo
anamainini tayive tavasiya kumba kwambuya
ivavo.Takasvika kurukova ndakapinda mumvura
naivo.Vakatanga kuyimba dzemashavi dzavo
vachindidira mukaka kusvika
wapera.Pawakapera vakabva vati "zvapera
ndakubvisa munyama".

Pakudzoka vakabva vati.

"Usaone kuchenuruka kudayi .Mudzimu uri


pandiri haudi ndizore mafuta." Vakadaro
ambuya vaye

Me: "Hoo"

Vakabva vanyarara, tasvika kumba


kwavo.Vakabva vatanga kutaura zvemakwati.Ini
ndaive ndashaya kuti makwati acho chii.Mainini
ndivo vakazonditsanangurira.Ndakazovapa
pane yandayive nayo yacho.

Takatorana namainini takadzoka kumba.

Patopera mwedzi Peter adzoka.Tayitobva


kushopping yekutenga mubhedha ,
nefridge..Ndipo pakapinda call mufoni yaPeter
ayive akayiisa paloud.

Pau:, "Mamha varwara kuno hazvina kumira


mushe mukoma huyai mese namaiguru ndiko
kutaura kwayita amai."

Peter: "Varwara nei amai."

Pau: "Hameno hazvisi kunzwisisika huyai


muzvionere. Kana neni ndave kutotyawo ini..

Peter:," Ehowo tinouya."


Akangoti achidambura call.Bamunini vakabva
vapinda nemukadzi wavo.

Paul: "Mazvinzwa here kuti amai varwara


kumusha uko vatotishedza tose"

Peter: "Eh ndazvinzwa ndiri kubva kutotaura


naPauline izvozvi.Ndatigadzirirei tiyende
tinorara taveko."
Mainini: "Shuwa baba Taku handeyi
tinorongedza.Kana mapedza maiguru
mongondishevedzera ."

Me: "Ok."

Vakabuda ndakasara ndakarongedza


mukamornach kadiki.Patakapedza takabva
tayenda kwamainini vayive
vatopedzawo.Takanokwira kombi.. Mainini
vayive vakagara paside neni
kubackseat.Ndakanzwa vave kuti nekazevezeve.
Mainini:, "Maiguru imi dai zvandiri kufungira
zvakasave izvo .Zvakadaro , nhandi
ndinganakidzwe hangu.

Me: "Zveyiko mainini."

Mainini:" Vamwene vanenge vave kuda


kureurura handi gogo vaye vakati zvichabuda
zvega."
Me:" Kkkk haa imi mainini sei muchifunga kuti
mamha ndivo vakauraya .Kungorwarawo
kwavari kuyita.'

Mainini: Saka kana kuri kungorwarawo isu


varoora tashedzerwei especially imi
vavasingade kuona."

Me:" Nyararai nyaya yenyu mainini ,


makanzwikwa nabamunini kuti ndizvo zvamuri
kuyita mai vavo munodzipwa huro iyoyo."

Mainini: "Muchazviona tasvika parizvino rega


ndinyarare hangu.Mai iya inoroya chete
ndosaka ndayisavasira mwana wangu kubva
achiri mucheche ndakazviona kuti ndingadyirwe
mwana".

Me:" Imi mainini ndatiyi, muchanzwikwa apo."


Vakabva vanyarara havo.Vanhu ndivo vayive
votaura dzepolitics mucombi imomo kusvika
tisvike..

Takatosvika vanhu vamwe vaive vatovepo.Tete


Palisa ,tete vaPeter naVatezvara vaive
vakagara mukitchen.Asi ivo vamwene hatina
kuvaona.Takavakwazisa Peter akabva ati.

Peter: 'Ko varipi mai vacho vatishedza pano uye


varikurwara neyi."
Vatete: Zvamai vako hazvisi kunzwisisika
varikutoyita kunge vave kurasa njere ava.Izvozvi
kuti varare tatopfungayidzira mafuta ehwayi
mumba imomo."

Mainini: "Ko mazviitirei dai musina


kupfungayidzira mhani."
Vanhu vese vakabata muromo vakatarisa
mainini.Ivo vakatozovhunduka vaona kuti
munhu wese ayive anyarara.Vanenge vayive
vataura vakavarairwa.Vakabva vatanga
kugadzirisa asi ini ndayitoziva zvazvayoreva
ndivo vayimboto vanoda vareurure,ndiko
kwayive kufunga kwavo.

Mainini: I mean dai musina kupfungayidzira


tisati tasvika.Tayida kuvaonawo vasati
varara.Tarirai iye zvino tave kurara tisina
kuvaona saka chatafambira nehusiku
chii.Ndizvo chete zvandanga ndichida kuyedza
kutaura.

Vatezvara: Tayitira kuti vazorore vane mazuva


vasingarare vese naPau ayirara akasvinura
nekuda kwamai vake.Ndosaka musina
kumuona pano.Arara pararawo mai vake
arikushunguridzika zvikuru."

Paul: "Inga zvakaoma rega tigoona kwayedza


kwacho."
Tete vaPeter: Shuwa isu tave kunzwa
hope.Takuda kuwaridza tirare hedu.I think
vakadzi vose takangowarira mukitchen muno
torara."

Tete Palisa:" Aaah ko nei kurara mukitchen


towaridza mudinning torara."

Tete vaPeter: "Yowee ndirege hangu ndirare


ndichiitwa party nezvinhu zvamai vako."

Tete Palisa:, "Zvinhu zvamai vangu ???"

Tete vaPeter: "Eh handi iye muridzi arikuti pane


zvaari kuona .Husiku hwese achikwamatata
mukadzi mukuru kuzoti isu vatorwa tingapone
izvo zviri kushayisa hope mwene wazvo."
Baba: "Ummm vahanzvadzi mave kufarisa
manje remember mukadzi wangu wamuri
kutaura nezvake ,
arikutoroyiwawo."

Tete vaPeter: "Heya ndizvo zvauri kufunga


,zvichabuda pachena uchanyara handi
zvatotanga kufumuka Kwazvo.Ndosaka tose
taunganidzwa pano pamwe ari kuda kusiya
agovera kuvana vake tese tichinzwa.Kunyanya
ikaka kanotaurisa kaPalisa ndiko kachasiirwa
zvinhu zvamai."
Vatezvara:" Kana usina zvekutaura hanzvadzi
nyarara.Kunyangwe zvakanzi akaromba ndipo
paangasiyire vana vake here . Vana vehanzvadzi
dzake variko uko."

Isu namainini tayingokwenyana pakuti taive


takagara pedyo nepedyo.

Tete vaPeter: "Ok ndanyarara , vasikana anoda


kunorara kumba hombe endayi henyu.Ini ndiri
kurara muno.Zviri nani kurara ndichirumwa
nemakonzo pane kurara ndichiyamwiwa
mazamu nemipurwa yamai venyu.Who knows
pamwe kutonetsa muridzi wacho zvaive
zvashaya wekuyamwa nekuti mukadzi waPeter
ayive Harare.

Vakatodaro vachitosimuka kuwaridza tsaga.

Vatete: Anodawo zvemuno anongowaridza


machira ake tovata.

Mainini: "Maiguru mafungei."


Me: "Ndonorara hangu kudinning kwacho."

Mainini:" Evo endayi henyu.Kuda kunzi good


muroora kuchakuparirai ini ndorara muno
navatete ava".

Me: Saka kana zvakadaro ndave kurara muno


.Kuyitira machira acho akwane . Hapana ekuti
munhu nemunhu afuge ake ega , handi tauya
tisina magumbeze.,"

Vatete: Ndizvo zvandazviitira kuti isu vakadzi


tofuga pamwe then Peter naPaul vonofugawo
vega kubedroom.Zvino Palisa ave kutoona
kunge ndinopenga."

Tete Palisa: "Ini ndaramba zvokuti mai vangu


vakaromba chete."Hameno kuti kurwara
kwatanga naivo chete here munyika
muno.Zvovonzi vakaromba nekuti varwara.

Vatete:" Hayiwawo kuti havana here handi zviri


kubuda."
Varume vakabva vabuda takasara takawarira
nekurara....
End of chapter 28

🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

*COLLABORATION STORY*

*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞±27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*

*CHAPTER 2 ⃣9 ⃣*

*MAI VAPETER*

Musi wenyaradzo yemwana waNyarai


ndakatogezawo zvakanaka,ndakatopfekawo
pandakada kuti ndikiye musiwo vamwe vese
vayive vayenda.Ndakabva ndangonzwa nungo
dzekuyenda uye ndayiyenda kunonyaradza
aniko zvangu ini ndirini
ndakauraya.Ndakatozvigarira pasi ndakatanga
kudya nzungu zvangu.

Vanhu vaive vayenda kunyaradzo vakazouya


vakada kundibvunza tumubvunzo tusina basa
ndakavaudza kuti siyanai neni.Ndakazoona
mangwana acho Nyarai adzoka ave kutowacha
wacha.Ndakanzwa kusvotwa ini munhu anonzi
Nyarai ndaive ndisisisade kumuona neface yake
zvake pamba pangu.Ndakazofara zvishoma
pandakanzwa kuti zviri kutakurana nemurume
wacho.Rimwe side ndayirwadziwa ndayisada
kuti ayende nemwana wangu.Asi ndakazongoti
chero zvabva pamba pangu nekuti dai
akaramba achigara neni ndayipedzesera
ndamuuraya chete,otevera rwumwana rwake.
Paakayenda ndakayita kunge ndabviswa
zimutoro raive pamba pangu kutonzwa kuti
pareruka pasina Nyarai.Pakazoti papera three
weeks ndakatanga kuona kamwana kaNyarai
masikati machena kachichema.Ende kazhinji
ndayikaona ndine umwe munhu wandinenge
ndinaye.Asi kana ndiri ndega masikati
handikaone .Manheru ndipo pakayiuuya
futi.Pandayingoti musoro pasi kuda kutanga
kubiwa nehope ndayibva ndanzwa achichema
akavharira imba yese.Ndayimhanya ndoyenda
mudinning ndichifunga kuti zvinopera
zvandayiinzwa asi zvayitoyita worse.

Ndakapedzesera ndave kurara naPauline


.Tairara takasvinura ndichingoita noise
nezvandayiona.Ndayiti ndakabvunza vanhu kuti
pane chavari kuonawo here voti
kwete.Zvakaramba zvichiitika kusvika
ndatozoona kuti handisisina rugare plus mwana
wangu Pau ayive owonda nekusarara
ayitambura mwana wangu.

Ndakatanga kudemba chandaive ndakazviitira


hangu.Zvakandipa kushedza vana vangu vese
kuti ndireurure.Vakauya havo mahusiku ini
ndaive ndatorara .Pakasvika tete hanzvadzi
yababa vaPeter ndivo vakapfungayidzira mafuta
ehwayi handina kuzonzwa kana kuchema kana
kuona kamwana kaNyarai futi.Musi iwoyo
ndakarara dzehumambo ndakatozopepuka
kwayedza.Zvakandipa kuti ndirase pfungwa
dzekureurura ndayizongopota
ndichipfungaidza kana zvatanga.
Kuseni ndichimuka ndakaona vanhu vese
vakagara paverondor kusara kwaNyarai ayive
asipo , basa rayive ratopera kuyitwa.Iniwo
ndaive ndararisa semunhu ayive ane svondo
asingarare saka ndakamuka
kuma9am.Ndichisvika paive nevanhu ndagara
pasi tete vakabva vati.

Vatete: Eh chitaura nyaya yako mai Peter.Vana


vako wavaida vauya avo saka hapasina
chekumirira.

Me: Imi atete kana nekundimutsa hamuna kuti


munzwe kuti ndarara sei.
Vatete:, Aah ini ndiri kutoona kuti warara boe
hako.

Vana vose vakabva vandikwazisa ndakagara


pasi.Peter akabva ati.

Peter: Eh amai tauya sekutaura kwamakaita.

Me: Eh vana vangu ndini ndakakushedzai


kutokusuwai hangu.Ndaive ndarwara vana
vangu ,ndakutotya kuti ndinofa ndisina
kuonekana nemi zvino nhasi ndamuka
zvakanaka .
Paul: Zvinofadza kunzwa kana nesuwo tanga
tonetsekana patakazvinzwa.

Nyarai akabva asvika pandakangoona face yake


chete.Ndakabva ndatanga kuona kamwana
kaye.Ndakavhunduka ndakatanga
kunongedzera asi vanhu vese vayive
vakanditarisa

Vatete: Gegegegeee ndambozvitaura ini.Kuti


mai venyu vakaromba izvo kaizvo muri
kuzviona mega.Apo varikunongedzera pasi
vanenge varikuona tudhoma twavo.Reurura
upone iwe mwana wemuNdawu.
Vakabva vatoshaura rwiyo rwekuti ,*reurura
upone mwana weIsirayiri* pakuti vanoyenda
kumasowe.Vakatanga kudairana nemukadzi
waPaul naNyarai.Vangu vana ndivo vaive
vangopusa vakanditarisa.Ndakatanga
kuyeredza misodzi ndatoona kuti pangu paive
pandiperera.Ndakabva ndamisa vayiimba.

Me: Mirai pane zvandiri kuda kutaura.

Vatete: "Eh taura."


Peter:" Asi amai mati mapona wani."

Me: "Handisi kurwana vana vangu .Nyaya iripo


ndeyekuti."

Ndakabva ndambomira ndave kunyara kutaura.

Paul:" Eh ndeyekutiyi."
Me:" Ndini ndakauraya mwana waNyarai."

Peter:" Amai."

Akadaro izwi rake riri padenga kuratidza


kupererwa.Ipapo ayiumburuka akabata gotsi
murume mukuru.

Palisa: "Mamha murikutamba handi.Ndinoziva


kuti hamuna moyo wekuuraya.Hamusi mhondi
mamha handisi mwana wemhondi ini."

Kamubvunziro kacho kayiita Palisa mayiti


kayitonzwisa tsitsi apo achiyeredza
misodzi.Ndakamboda kuti eh kutamba hangu
asi ndakazotya kuramba ndichinyepa
ndayisvikepi ndichiona chipoko.

Me: "Ndini ndakauraya vana


vangu.Ndakamusayidzira mutsime ndakabva
ndatiza."
Nyarai akabva ayikwetsura mhere yakavharira
musha wese.Vese zvavo vaive vochema umwe
neumwe achingotenderera .Wangu murume
ndiye akati.

Him: "Unondinyadzisireiko kudaro


chokwadi.Ndayiti ndakaroora mukadzi izvo
ndakaroora mhondi.Ayiwa ini handirambe
ndichigara nezvinhu zvakadai izvi , better
udzokere padongo rababa vako sekutaura
kwawakamboita.

Nyarai akabva angosimuka akatanga kumhanya


akananga kumba kwagogo vake.Ipapo
ndakatomunzwira tsitsi ndayitoshaya chandaive
ndakazviitira hangu.

Vatete: "Ndimika manga muchiramba kuti mai


venyu muroyi hezvo ka.Vakadya mwana
wevanhu.Chivarambirai tinzwe."
Paul: "Ini hangu handina chekutaura.Mai Taku
mukadzi wangu tora zvinhu zvedu tidzokere
Harare."

Palisa: Chimbomirai bro hazviyite kuti muyende


muchisiya situation yakadai.Mukadzi waPeter
anotoda kunokumbirwa ruregerero semhuri.
Baba Peter: "Icho Ichokwadi."

Mukadzi waPaul:" Ende hamunyare sei musina


moyo kudaro.

Ndaive ndangotarisa pasi vanhu vachitaura


zvavanoda neni.Ndakaona kuti zvandaive
ndakayita zvinonyadzisa chokwadi .Ko vanhu
vemuraini vakazvinzwa vayizotiyi.Ndakaona
zvakanaka kuzviuraya hangu hapana ayizotaura
zvaanoda ndichinzwa.
*Peter*

Basa ndanga ndanaro ririnani, pay yacho yaive


yakanaka zvokuti.Pandakapihwa first pay yangu
ndakatenga zvaive zvisimo mumba imwe
ndakachengeta .Ndayida kuzotenga stand kana
imba yangu naNyarai.

Musi wandayibva kushoping ndakafonerwa


zvichinzi tirikudiwa kumusha.Takayenda
,ndakashamiswa nezvakataura amai
vangu.Ndakayita kurwadziwa chaiko.Nyarai
akangosimuka achimhanya akananga kumba
kwagogo vake.Ini ndakateverawo asi
ndakazosvika atozvivharira mumba.Gogo vake
ndivo vaiyive pamusiwo pake vachigogodza
door.Pandakasvika vakabva vati.

Gogo: "Wamuyitaseiko muzukuru wangu , ko


masvika nguvai?

Me: "Takasvika nezuro manheru gogo."

Gogo:" Heya zvino Nyarai ayitwasei."


Me: "Nyarai vhura door titaure."

Nyarai: "Handichade nezvako Peter .Handichadi


hanu mai vako vakandipaya nerakagomara
kani.Zvirinani uyite zvinoda amai vako kubva
nhasi.

Me:Nyarai sorry kani ini ndinokuda . Hande


kuHarare hatidzoki futi.
Nyarai:, No Peter ibva ipapo handichade
nezvako iwe mwana wemuroyi.Unoda
kundiwurayisa namai vako sezvavakayita
mwana wangu.Gogo dzingai munhu iyeye
handichade kumuona mai vake ndivo
vakasayidzira mwana wangu mutsime.

Ndakabatwa collar nagogo vaNyarai.

Gogo: Ichokwadi here chiri kutaura


Nyarai.Ishuwa here kuti mai vako imhondi.

Me: "Chokwadi gogo ndatoshamisikawo."

Ndakapihwa mucheka kumeso.Vayive


vatsamwa zveshuwa.

Gogo:"Ibva pano ndofunga wamunzwa


muzukuru wangu haachade nezvako."
Me:" Sorry gogo ndoda kutaura naNyarai
anzwisise ini ndinomuda please musandidzinge.
..

Gogo:" Ibva pano iwe mwana wemuroyi."

Ipapo vaive vakwidza izwi .Ini moyo wangu


wayirwadza kuyenda ndichisiya mukadzi wangu
asi payive pasina yekutamba ndakadzokera
kumba.Ndakangoti ndichingosvika daddy
vakabva vati.
Daddy:" Aramba kudzoka here muroora."

Me: Eh azvivharira mumba mavo.

Daddy:, Mai vako vacharipa.Panotoda kuripwa


apa tokumbira ruregerero.Nhasi
ngatimbosiyaneyi naye tozotuma tete vako
mangwana vanotaura naye....

End of chapter 29
🤱🏽🖤HIS MOTHER🖤🤱🏽*
*

*COLLABORATION STORY*

*BY*

*LEE aka MAI RYAN*


📞±27604788878*
*
&
💋NATTY💋*
*
*0713064191*

*CHAPTER 30*
*FINAL 🔔*

*Mai Peter*

Ndaive ndisisina chimiro panyika.Kana vana


vangu chaivo ndayitoona kuti havasisina
mufaro , chete zvayisayita kuti vandituke nekuti
ndiri mai vavo.Wangu murume ndiye
akandidhonzera mumba yedu yatayirara.

Baba Peter: "Rongedza zvinhu zvako uyende


pano hapasina nzvimbo yako.Tora kako kese
usawane chaunosiya."

Vakabva vabuda vakasiya varovera door.


Handina kuda kuyita nharo nekuti chekugarira
paive pasina , neni wacho ndaive ndave
kutonzwa kuzvivenga ndega muridzi
nezvandayizviitira ndakazvishaya.Moyo hwai
waive wandipinda kusvika
pakuuraya.Ndakatanga kurongedza mabag
angu nekwandayiyenda ndayive ndisina.Ndave
kutopedza ndipo pakapinda Peter.

Peter: Ko amai zvamunenge mave kurongedza.


Me: Handisisina chekugarira pano vana vangu
nezvandakayita zvinonyadzisa
kudaro.Ndinokumbirawo mundiregerewo uye
kana ndabva musazonditsvage nekuti
hamudeserve kuyita mai vanenge ini mhondi.

Peter: Munhu wamunofanira kukumbira


ruregerero ndiNyarai imi ndipo pomorongedza
mabag munoda kusiyira ani mhosva
yenyu.Kana Nyarai ati anoda kukusungisai
muchayenda kujeri ini hapana zvandinokwanisa
kuyita ipapo.

Me: Ndinoyenda hangu chirega ndimire ndinzwe


zvinotaura iye Nyarai wacho.

Peter: "Eh mirai tinzwe zvichataura tete


vachayenda kunotaura naye mangwana.

Akabva abuda.Ini ndakasara ndakagara hangu


pamubhedha kana kubuda mumba umu ndaive
ndonyara.Muswere wese chikafu chayiuya
naPau asi ndayisadya ende hapana ayive
achada kutaura neni.Baba Peter chaivo kubva
zvavakabuda ndichirongedza havana
kuzodzoka.Ndakarara ndega ndiyo time
yandakanyora tsamba yangu ndaive ndofunga
zvekuzviuraya kana ndapedza kukumbira
ruregerero kuna Nyarai .Zvekujeri ndayisada
zvaitove nani ndife nekuti ndayisaona
chekuraramira ndakayita zvinonyadzisa kudaro.

Ndakanyora tsamba yangu ndakayiisa


pakatable kaive mubedroom mangu
imomo.Mangwana acho ndakazonzwa ndave
kushedzwa kuti ndinokumbira
ruregerero.Ndakabuda takayenda.

*NYARAI*

Mai vaPeter vaive vandibaya nerakagomara


chokwadi.Ndakayita kubayiwa pakati pemoyo
wangu chayipo.Nezva Peter ndayive ndisisade
hangu ndayizopedzesera ndaurayiwa
ndirini.Peter paakadzokera ,gogo vakasara
vakagogodza ndakavhura.Ndakavatsanangurira
zvese vakabatikana.

Ave mangwana acho takaona tete vacho vauya


kuzotaura neni.

Vatete: Eh muroora zukuru uchindiona ndauya


kudai ndiri kunzwa kunyara nezvakayitwa namai
vaPeter.Tese mhuri yekwaZuze tiri kunyara
zvisingaite ndosaka ndauya kuzokumbira
ruregerero ndakamiririra vamwe vangu kana
uchida kuripwa tinoripa hedu muroora."
Me: Handidi kuripwa chingondidzoserai mwana
wangu ari mupenyu chete pasina izvozvo
musataure neni futi uye nezvaPeter handichade.

Vatete: Ayiwa muroora zukuru hazvinzwaro


zvinhu zvinotauriranwa sekuti munhu
akakanganisa mumwe chete saka vamwe tofira
mhosva dzeumwe here.
.
Gogo: Mese makanganisa makasiyirei
muzukuru wangu achigara nemuroyi imi
muchiziva kuti havamude.Shuwa kutorera
muzukuru wangu kumuyita gejo renyu
risingayende kuHarare.

Vatete: Situation ndiyo yakaita tidaro paive


pasina kwekunomuyisa muzukuru wenyu asi
iyezvino handi ave kugara nemurume wake
zvakungoda kuti achinzwisisawo zvinhu
zvogadziriswa.
Me: No hapana chandichada kunzwisisa apo
zvekwaZuze handi....

Handina kuzopedza kutaura ndaive ndonzwa


moyo kumira ndakamhanya ndakanorutsa
panze .Ndakarutsa kusvika mutsipa wave
kurwadza nekukotama.Pandakapedza kana
simba ndaive ndusisina ndave kudedera kunge
munhu apindwa nechando .Tete vaPeter
vakabva vauya pandaive vakatanga
kupururudza vachinditenderera vachiyima.

Vatete: Wululu chigutiro tamba wakaguta


,chigutiro tamba waguta hukamaiko hunenge
husahwira.Ayiwa Mwari variko vanopindura
neimwe nzira.Mwana wehanzvadzi wangu
akazviita manje manje tinenge tawedzerwa
mhuri yekwaZuze.

Gogo: Yatove nhumbu Nyarai hapasisina


chekuti ucharamba sekuti numbu iyo inoda
kuchengetwa nababa vayo.Ndakutotuma
Chiedza anoshevedza ana sekuru vako tiwane
kutonga nyaya utaure zvaunoda kuripwa zvacho.

Zveshuwa yaitove nhumbu ndaive ndakajamba


maperiods angu mwedzi iwoyo.Ndakasvotwa
ini zvekwaZuze ndayive ndisisade zvekudzokera
hangu asi apa ndaive ndisisina zvekuyita kunze
kwekudzokera.

Me: Saka vana sekuru ndivo vachauya votaura


huripwa here kana kuti ndini ndinotaura.

Gogo: Ndiwe nekuti mwana ndewako ana


sekuru vanoda kungoziviswa kuti zvisayitike
vasipo.
Me: Ok

Vatete: Chitotaura kuti tigare tagadzirira


patinouya.

Me: Ndoda mombe one.

Vatete: Wayita hako muzukuru.Ini handichagare


chirega ndinozivisa vari mberi tiwane
kugadzirira.
Vakabva vayenda ndakasara ndopedzesa kuyita
basa.Chiedza ayive atotumwa kwana sekuru
.Ave mangwana acho ana sekuru vakauya
achiri makuseni chaiwo.Dzave kuma9am mhuri
yekwaZuze yakauya zvese navamwene .
Misodzi yangu yakatanga kubuda
pandakavaona.Vanhu ndivo
vakazondinyararidza.Ndivo vakabva vatanga
kutaura.

Vamwene: Nyarai muroora ndinoda kukumbira


ruregerero pane zvese zvandakakuitira kubva
uchitanga kupinda mumusha wangu.Ndogoda
kukumbira ruregerero kusakugamuchira
kwandakayita zvekusvika pakukuurayira
mwana.Sorry muroora ndakatadza handitozive
kuti ndakapindwa neyi , ndokumbirawo
ruregerero.

Sekuru baba Gamu: Ayiwa kukuregerai


makumbira ruregerero nemuromo chete
hazviite sekuti hupenyu hwemunhu
hwamakatora panotoda kuripwa.

Baba Peter: Ndizvo chaizvo sekuru ,takatuma


tete kuti vataure nemuroora nezuro vakadzoka
vachiti anoda kuripwa nembombe ndosaka
mationa tayita simba rekuuya pano kuzoripa
mhosva dzedu.
Sekuru baba Gumu: Mombe ngani dzakataura
Nyarai.

Vatete: Muroora akati iye anoda imwe


chete.Ndiyo yatauya nayo yakasungirwa pasi
pemuti uri mumunda uyo .Isu sevanhu vari
kuziva kuti takatadza tazongowedzerawo
mbudzi mbiri.

Sekuru baba Chamu: Mombe one hayiite


ngadziite mbiri.
Maiwee ndakatorwa nehana danga ravo rayibva
ravhara vayingove nemombe mbiri chete zvino
dzakapihwa ini dzese ivo vayisara vasina chinhu.

Peter: Hazvina mhosva tinobvisa hedu mbiri


dzacho.Asi ndanga ndichikumbirawo kune iwe
mukadzi wangu Nyarai kuti zvanhasi tobvisa
imwe chete nekuti ndiyo iripo kuti tirambe
tichitora mudanga rababa hazviite.Asi
ndakanoshanda ndotenga imwe yacho
ndokupai.
Me: Hapana chakayipa.

Vamwene: Unotengesa mbudzi dzasara kumba


woona kuti panozosara mariyi wowedzera.
Ndini muridzi wemhosva saka ndinofanira
kuripa.Mbudzi ndedzangu dzepamasungiro
aPalisa saka dzakatengeswa zvirinani.

Vaive vayita kudzikama vamwene vangu


wayizomboti ndivo vaye vekuzhangandira.
Sekuru baba Chamu: Kana Nyarai abvumirana
nazvo zvinoyita.Wabvumirana nazvo here
Nyarai.

Me: Hongu.

Baba Gamu: Vamwene vako wavaregerera here.

Ndakamboramba ndakanyarara ndayinzwa


bundu pamoyo zvakandiremera kuti nditi hongu
asi kuvaregerera ndayida.
Vamwene: Ndokumbirisawo ruregerero
muroora handikumanikidze hangu kuti
undiregerere nhasi asi ndinoda kuti ungoziva
kuti zvandakayita kana neni ndave kutonzwa
kuzvivenga.

Vatete: Zvataripa kudai achakuregerera


nerimwe ramazuva.Chihandeyi hedu
tinokuratidzai mombe nembudzi.

Takabuda vanhu tese mumba.Takayenda


mumunda takaratidzwa mombe yacho.Vanhu
vakapururudza nekufara asi ini ndatisambofara
hangu kutaura chokwadi ndayitoona kunge
ndatengesa mwana wangu.Kuti ndivayendese
kujeri zvayisayita kuti ndivayendese nekuti
ndimai vaPeter kunyangwe vakayita muroyi mai
ndimai.

Tave kubva kumunda tichisvika pachivanze


takasvikirana naTapiwa apo ayita kufemuruka
kuratidza kuti ayimhanya.

Tapiwa: Mombe dzaripirwa mwana wangu


dziripi.Nyarai haufanire kutora mombe dzese uri
wega nekuti ini ndini baba vake kufa kwake
kwakatondirwadzawo saka ndotofanira
kutoripwa.

Vanhu vose taive tangomira tichiona mashura


ayiitwa naTapiwa apo ayiita kushevedzera.

Peter: Tapiwa wauya zvakanaka pese apo


tayitoshaya kuti ndiyani akarepa Nyarai izvo
ndiwe hako.Chingoyenda unotaura wega
kumapurisa kuti wakarepa ndokuti upihwe
zvauri kuda.

Luck ndaive ndakamuudza Peter tiri kuHarare


saka kubva ipapo haana kuzoonana futi
naTapiwa kusvika zuva iri.
Tapiwa : Kumapurisa handiyende asi
ndotodawo mombe mai vako vakandiurayira
mwana.Blessing iropa rangu kana iri ngozi
inofanira kuripwa kumba kwedu.

Sekuru baba Gamu: Hatikuzive hauna kana


kubvisa madamages panaNyarai wacho kuti
tizive kuti mwana ndewako even nap zvaro
remwana wako hauna kutenga wozoda kuripwa
nekuti nhasi afa.Dai wakataura nenguva kuti
mwana wako pamwe nhasi Bee achiri
mupenyu.Hausi kuzowana kana dehwe zvaro
pahuripwa.

Me: Waudzwa naniko iwe imbwa iwe kuti pano


parikuripwa.
Chiedza: Ndini ndakamuudza nezuro
ndasangana naye ayive otanga kundituka achiti
hama yenyu imhondi Nyarai akauraya mwana
wangu ndipo pandakamuudza kuti haasi.

Takazongoona sekuru baba Chamu vauya


nechitorobho pakuti mupurisa, mundini
ndamubata saka chitorobho vayigara
vanacho.Vakasviko rova Tapiwa vachibatsirana
naPeter akatozopona nekutiza.Vanhu vakasara
vachiseka kuti mamugona.Vanhu vekwaZuze
vakazodzokera kumba kwavo.Ini ndakasara
ndakaurayira mbuya vangu imwe mbudzi one
kuti vaone yemuriwo.Imwe yacho ndavakati
ndeyavo vayizondipawo kamwana kacho kana
yabereka.Mombe yangu ndakayitumidza kuti
Blessing ndipo pandaive ndoonera mwana
wangu.Titori pakati pekudya zvinyenza nana
sekuru vangu nanambuya vangu .Ndakaona
tete Palisa vauya vachiita kumhanya vakasvikoti
.

Tete: Mamha vanwa mushonga maiguru


vatomhanyiswa kuchipatara.

Me: What, asi vachiri vapenyu here .

Tete : Eh handeyi kuchipatara.


Ndakamhanya kunotora zvinodziya takatevera
kuchipatara. Takatosvika vatopihwa mubhedha
kare vatobayirirwa machine.Vanhu taive
tangomira panze tichimirira kumuka kwavo.

Vatete: Vasiya vanyora tsamba iyi hatina


kuzowana nguva yekuyiverenga.

Mainini: "Tionei ndipei ndiverenge."


Vakabva vatambidzwa vakatanga kuverenga
tsamba iya munhu wese achinzwa.

*Ndaona zvakanaka kuti ndife hangu


nezvandakayita zvinonyadzisa
kudaro.Ndotoshaya kuti mweya rudzii waive
wandibata zvekutadza kugamuchira muroora
zvekusvika pakuuraya mwana wake asina
mhaka.Ndinoti ndakazvibvunza ndega
ndotosahaya kuti chii chaive chandibata
handina moyo wakayipa ini asi iyezvino
ndauraya ndave kunzi ndane moyo
wakayipa.Zvirinani ndiyende hangu kunyika
kusina vamwe tichasanganiswa nekuda
kwaMwari ,ini ndatungamira mundiregererewo
hama dzangu.Kubva zvandakaona Nyarai abva
kuHarare ndakayita kunge ndayibva kuhope
kutenge paive pane chayindituma kumuitira
hutsinye ndakamunzwira tsitsi nazvino
ndinomunzwira tsitsi nezvandakamuitira*

Payiverengwa tsamba iyi ndakabva ndafunga


mashoko emushoperi uye
wekuEpworth.Ndakatanga kuona kuti
vayishandiswa nezimweya raive pandiri ende
zvimwe kwaive kusada kwavo.Zvakandipa kuti
ndimhanye ndichiyenda kuward yavaive
vakaiswa ndayida kunotaura navo. Maguard
akamboda kundirambidza kupinda isiri nguva
yevisitting hour asi ndakayita kugwadama
chaiko ndikavakumbira vakabvuma.Ndakapinda
ndakabata ruoko rwavamwene vangu.

Me: Ndakuregerai amai vangu


musatisiye.Ndinodawo rudo rwamai ,vangu
amai vakafa ndichiri mudiki saka imi
ndinokuonai samai vangu.Please musatisiye
hongu kutadzirana kuripo muvanhu asi
handishuvire rufu kwamuri ndicharamba
ndichikudai savamwene vangu .Dai pasina imi
Peter asipo musatisiye amai.Iyezvino
ndatakura muzukuru wenyu ndinoda kuti
pandinopona muve muripo sambuya vake .

Vakabva vasvinura ndakafara ndaive ndisisina


chigumbu navo vayishandiswawo. Zvese
zvayiita ayive mabasa amai Chamu ndivo
vakasimudza mamhepo pane zvese zvayiitika
zvakayipa muhupenyu hwangu.Vakatanga
kutaura.
Vamwene: Nyarai wandiregerera.

Me: Yes momy handisisina chigumbu


nemi.Ndafara kuti mamuka manga muchida
kutisiyirei.

Vamwene: Panga pasisina chekuraramira


nezvandakayita.

Me: Mwari ndiye anotonga kwete isu


ndinovimba madzidza pamamistake enyu.
Vamwene: Ndadzidza muroora ende thanks
nekundiregerera.Ndinoda kuti iwe nemwana
wangu Peter mugochembedzana ndiwe
mukadzi akakodzerana naPeter hameno ndaive
ndapindwa neyi.

Vanhu vese vakabva vapinda nguva yevisitting


hour yaive yakwana.Vakatofara kuona
vamuka.Vakambundirana vakakumbirana
ruregerero.Ndipo paunoona kuti mai ndimai
chero vakayita benzi unongovada zvakadaro
hapana anoshuvira kuti dai vafa.Kana
kudzingwa navatezvara havana nekuti ini ndaive
ndavaregerera.

Takazoyenda hedu kumba .Peter naPaul vsyive


vatokumbira maoff days kubasa kwavo nekuti
taive tatarisana futi nenyaradzo yemunin'ina
wavatezvara baba Bridget . Papera three days
vamwene vakabuda muchipatara vaive vave
kutonzwa zvirinani.Paive pasara mazuva
mashoma kuti tiyende kuNyaradzo saka vanhu
takatomira kuti tizodzokera Harare tabva
kunyaradzo.

Nyaradzo yakasvika navamwene vangu taive


towirirana kuyita tsika nditsikewo chaiyo
zvokuti vanhu vekunyaradzo vakatoshamisika
vachitiona tichiwirirana.Mai Tau sahwira
mukuru akati wobvunza hake.

Mai Tau: Nhaiwe mukadzi waPeter dondipawo


mushonga wawakapa vamwene vako kuti
muzowirirana imi maive musingawirirane paye.

Vanhu: Taurai henyu iii zvatotishamisa


wakavapeiko vasikana.

Vamwe varoora nevamwe vemuraini vayive


vodairira handi vaive vaona kutambudzwa
kwangu panhamo.

Me: Hapana mufunge zvakangoyitika zvega.

Mainini: Musanyeperwe zvenyu imi vakavapa


mwana kuti vazowirirana.

Mai Tau: Kuyita nhumbu here.


Mainini: Kwete kutodyirwa mwana
chaiko.Vakakandirwa mwana mutsime
navamwene vapedza kwakuzoreurura
vapfukirwa ,nenyadzi kwakuzama
kuzviuraya.Ndipo pavakatanga kuwirirana.

Vanhu: Haaa ,munhu akadaro anochinja here.

Inini ndaive ndangopusa zvino handina kufarira


zvakayita mainini vanhu vayisafanira kuziva
zvekumba kwedu.
Mainini: Hameno ndizvo zvandiri kuzama
kuvaudza kuti tambai makachenjera shiri ine
muririro wayo hairegi zvino vane nharo
vachazopepuka vadyirwa futi ari mudumbu uyo.

Vanhu: Taurai henyu vanotyisa amai avo.

Ndakadonzera mainini paside.


Me: Ndicho chiii nhai mainini.Kufumura
vamwene venyu pane vanhu.

Mainini: Hedeee musakanganwe chezuro


nehope imi.Sandivo vakazvitanga here
kukunyadzisai panhamo pazere vanhu saka ini
ndave kungoudzawo vanhu mabasa avo
handione chakaipa ini.

Ndakabva ndangonyarara.Mainini
vayisatombogaya havo vayitaura zvavanoda asi
vamwene vayingovada zvakadaro ndipo
pandakaona kuti kwadzinorohwa matumbu
ndiko kwadzinomhanyira .Isu kwedu kwataiva
bata boe vamwene vayisada zvavo.
Takadzokera kwaive kune vamwe asi ndiyo
yaive yangove nyaya.
Ndakapedzesera ndave kunyarira vamwene
vangu vanhu vaive vakungonongedzera
vachivataura zvavanonzwa.Hapana ayive
achada kugara paside navo. Zvakandipa kusiya
zvandayiita ndakanogara paside navo
ndichivatandadza kubvisa mashoko evanhu.

Nyaradzo yakazopera hayo takadzokera


kudzimba dzedu.Isu veHarare takatosvika
kupfuurira hedu.Ndakaona zvakanaka kuyenda
kuchurch pandakadzokera kuHarare nekuti
zvayiitika muhupenyu hwangu zvayikonzerwa
nekusanamata.Dai ndayinamata ndayikunda
muyedzo zvino ndayinfoziva kuti kuna Mwari
kudenga asi kupfugama ndichinamata
ndayisagona.Ndakatsvagawo church
yekuyenda ndakato bhabhatidzwa.Papera
mwedzi yakati kuti ndakasununguka mwana
wangu musikana.Ndakamupa zita rekuti Angel
.Ayive auya sengirozi dai pasina nhumbu yake
ndisina kudzokera kumba kwanaPeter uye ndiye
munyaradzi wangu akapodza ronda raive
raBee.Peter akazotenga mombe yangu
ndakayipa vana sekuru vangu sezvo ndivo
vayindibatsira nezvipfeko
zvaBlessing.Takazotenga imba yedu kuGlenora
ndiko kwatave kugara parizvino .Navamwene
vangu tinowirirana zvisingaite vanotombouya
voyita mwedzi vari kumba kwangu.Iniwo nguva
yekurima ndinomboyendawo ikoko
ndonovabatsira kurima sezvo munhu ave
kungogara achirwara rwara kubva pavakanwa
poison hutano hwavo hauna kuzoyita
zvakanaka, pamwe pacho vanotombozviitira
weti vasina kunzwa kuti yabuda sei .Chipo
akazororwa nemurume wake kumusha ikoko
vanogara zvakanaka.Tete Pau vachiri
kuUniversity vanoti vanoda kuzororwa vane
basa svinu.NaPeter wangu tinogara zvakanaka
chaizvo mumba medu mune mufaro....

THE END

💋NATTY💋& MAI RYAN LOVES YOU ALL😍.


TINOTENDA NERUTSIGIRO RWENYU 👏🏼

You might also like