Professional Documents
Culture Documents
BOTEREKWA
PDF
COVER & DESIGN
Done by
BRAJEY
+27 616 752 680
CHAPTER 1
End of chapter 1
CHAPTER 2
BOTEREKWA
WRITTEN BY
🍓MAI LEANAGE
ROPAFADZO
Ndakasara ndosvika mumapiripiti imomo
mumakorokoza kwavanoshandira vana Janet ndave
kupadagura hangu netsoka. Matombo acho aitoita
kunge ane daka neni.. Ndaibaiwa baiwa apa tsoka
dzangu hadzina kujaira kutsika pasi ndisina bhutsu.
Kwaitonhora ndaiita kunge ndiri kutsika ice
ndichitsika matombo ummm handisati ndamboona
nhamo yakadaro muupenyu hwangu.. Kugara kwese
pataiuya kumusha kuholiday nanamhamha ndaifunga
kuti Jane anondifarira izvo aingoda nhumbi nebhutsu
zvangu zvandaimuvigira zvisingachandikwane.. Jane
mukuru hake asi mutete tete apa ini ndiri mukobvu
chose kumudarika... Aitobatsira mashamwari ake kuti
vasakuvara mumatombo imomo ini achindisiya kunge
asingandizive...
End of chapter 2
CHAPTER 3
BOTEREKWA
🍓MAI LEANAGE
0815629776 whatsapp only
0744582980 for calls only
JANET
Kukura kwangu kwese hapana humwe upenyu
hwandoziva kunze kwehwekupinda mumakorokoza
muBoterekwa ndichishandawo nevamwe vanana.
Ndakatanga kushanda mumakorokoza ndine 11 years.
Kutaura chokwadi upenyu huya hauna chakati tasa
chahunobusisa pamunhu. Umhandara hwakaenda
ndine 13 years nemakorokoza. Ko ndaidii ini ndichida
kuti kumba vanhu vawane chekubata. Hapasi pese
patinoendawo tongonowana basa zviri nyore. Pamwe
unotowanawo vachiti
"mari irikukava"
vasinawo yekutibhadhara yacho. Mari yechimota
chaiyo yekudzokeresa kumba ndinenge
ndisina.Ndopavanotora advantage ipapo makorokoza
vorara nesu wopiwa kana dhora..Ndikadzokera kumba
ndisina mari mhamha vanoita kana mazuva matatu
vasingataure nani hanzi waswera uchitamba. Upenyu
VAMARUFU
Kuberekwa kwangu ndakatoberekwawo ndiri munhu
aiona sevamwe. Upofu uhwu hwakauya ndatokura
ndave nevana vaviri Denis naJanet.. Ndakadhuukirwa
nehora dzataidhuura muPeakmine mboni dzemaziso
ndokusariramo. Ndinogara zvangu ndakapfeka
magirazi angu matema evasingaone zvekuti kana
usingazive kuti ndoribofu haumbofungire. Ubofu
hwangu chahunonditadzisa kuendawo kubasa
kunoshanda sevamwe varume asi pamusha zvese
zvinoitika ndoona mubrain. Brain dzangu dzinoona
kudarika vanemaziso.
Pakafa munin'ina wangu Pedzi nemudzimai wake
ndakachema kudarika munhu wese asika vakuru
vanoti
"kuchema kwekamba kuri mumoyo!"
Hapana akaona misodzi yangu asi ndakamuchema
chose munin'ina wangu..
Pedzi aifanira kurarama ini ndakafa hangu ndisina
herepu panyika. Nhai ndichaitei ini ndisingagone
kusumukawo kunoshanda sevamwe.Ndakarwadziwa
chokwadi. Chakambondidzikamisa ndechekuti vasiya
havo mwana umwechete dai vakazvara vana vazhinji
ndaisara ndikavaisa pai hangu.
Mai Ropafadzo chero ndisina kumbomuona nemaziso
angu asi mukutaura ndaimunzwa kuti mudzimai
akagwinya uye anovaka. Haikona mhashu makomo
yekwaMurehwa yandinayo mumba.. Ndoshaya kuti
mwana waPedzi ndomuviga pai asaoneswa nhamo
yese iyi! Chokwadi ungava mai rudzii vanomiririra
kuriritirwa nepwere yakaita saChido?, handichabati
zvangu uyu wemutsindo Janet. Ukamutuma anoita
kunge arikudzana ngoma iye achifamba pachivanze
End of chapter 3
CHAPTER 4
ROPAFADZO👩🏻
ROPAFADZO🙎🏻
"Ehoi mhamha"
Ndakafamba ndakatarisa kumainroad kunowanikwa
zvimota zvinoenda kumba. Apa zuva rakanga
richitanga kuvhomoka kubuda rakatsvuka kuti piriviri
VAMARUFU
Dzakangozondiba hope...
Mangwana acho ndakasara ndomuka pachivanze
pasisina kana munhu. Vasikana ndakaziva kuti
vatoenda kunotsvaka mari dzavo avawo mai kana
vakatsamwa ndovaziva, gandiwa chairo vanosakura
kupedza kuti tsvai vega. Ndakaziva kuti varikumunda
vandisiya ndega kuti ndimbosokwa nayo nzara..
Ndakagara zvangu pazuva ndakateerera kunzwa kana
pane andinganzwa kutaura sezvo pedu pari panzira
yokuenda kuzvitoro.. Zuva rakapisa ndakangogara
pasina apfuura.. Ndakachinja ndikaenda pamumvuri..
Ndichangogara pamumvuri ndopandakanzwa munhu
akati
"tisvikewo?"
End of chapter 5
CHAPTER 6
MAI MARUFU
Makare kare taive shoroma dzaiverengwa mufunge
tichigara Mberengwa kwaMataga ndiko kumusha
chaiko kune dzinde ranavaMarufu neimwe mhuri
yavo. Ini ndakaroorwa ndiri muroora wepiri
mumusha, maiguru vakuru vaigara Bulawayo
nemurume wavo. Peak mine yakanga ichishamisira
zve makore iwayo kunzwika kuti unoshandira kuPeak
mine? Abel Marufu aifamba achitevererwa nevasikana
nekuda kwekunhuwa mari kwaaita mwanakomana
Him.. "Ndaendepi?"
Me.. "Mapepa akangouya atakaapuraya kuJairosi
Jiri motozosengwa moenda kunochengetwa vakaita
semi kudai.. Hatingazvigone zvekupondwa
netsvimbo pano tichidirwa zvimugomo zvemvura
inopisa. Mukangoramba munosungwa!"
End of chapter 6
CHAPTER 7
JANET
ROPAFADZO🙎🏻
End of chapter 7
CHAPTER 8
TINASHE
Tsvina yaive naRopa ndakanyatsoona kuti
arikundivhara haana kubva kumba. Kubva
zvandakatanga kumuona kuBoterekwa anenge
arismart despite ivhu redu dzvuku riya asi munhu
anogeza anoonekwa..
Patakanzwa vanaJane vachiuya ndakamhanya
ndokunoti kwati panerimwe dombo ndaisada kuisa
Ropa patight naJane.
"Kubika tea Ropa ndokungaita kuti utizire
Tinashe?. Une mimba yake here? Manje zvaari
mukomana wangu uchaita sei? "
MAI MARUFU
End of chapter 8
CHAPTER 9
TINASHE
"Musandiudza kuti ndiye Tinashe wacho ka uyu
arikutobva kunorara naRopa mumakwenzi umu..
Ukagodikitira kudaro neruhembe muhuro kwakanaka
here mwana iwe?"
Moziva zvimwe zvunhu unopera strong? Besides
utsinye hwamai vaJane handina kuziva kuti vane
pfungwa dzakafonyoka kudaro.. Ndainge ndichiri
muprocess yekuda kunzwisisa kuti chaizvo Jane
avingei pamba pedu namai vake asi pandakanzwa
mashoko iwayo ndakambokanganwa kuti mhamha
vanogara vachindiudza vachiti ndikudze munhu
mukuru wese nekuti Bible paya parinoti
"kudza baba namai vako kuti mazuva ako
agowedzerwa panyika",
, hazvirevi baba kana mai vakakubereka bedzi..
"Makadii henyu?.. Mhoro Jane"
Kukwazisa kwaive kuedza kudzora hasha
dzandainzwa kuti pamwe ndingagona kurerutsa
mashoko aivira muhana mangu..
"Wamuwana here mwana nhai Tina?"
ROPAFADZO
"Ehee mwanangu"
"Aaah !! Vakanga vasina kubata zijamhu here
rekundirovesa ?"
Ndakabvunza ndisina kumbonyatsofunga mubvunzo
wangu...
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 79 -
"Vainge vasina shamhu Ropa, vaida mari hanzi
yawakashanda nezuro neyezuva rawakasungwa riya
vakati havana kuiona ndiyo yavakanga vavinga"
Ndakatadza kudzora shungu dzakandibata ndichibva
ndatanga kuchema..
" Ndoziva Ropa, zvorwadza mwanangu asi
zvawakatarisana nazvo zvinoda simba rauri
kutopedzera mukuchema iroro.. Nherera
ndeyekushinga nekunamata mwanangu. Kuchema
kupedza nguva "
" Mwari dai vakatora havo mhamha vakandisiira baba
vangu kana kutora baba vondisiira mhamha. Pane
kutora vose nguva imwechete???? Ini hangu handizivi
kuti ndichaita sei ini ! Vachangoponda havo zvopera.."
" Tozotaura Ropa huya urare pandakugadzirira
apa.Handiti wamunzwa hanzvadzi yako ati uzorore
usaenda kubasa.."
"Mhamha, ndofanira kuenda kubasa vanaJane vaone
kuti ndiriko ndirimupenyu.. Mari ndoida zvakare.. Pane
zvandiri kufunga mumusoro mangu."
" Ropa mwanangu, hatikuvengi handiti ? Dzimwe
nguva imbonzwawo zvinotaura vamwe. Rara
mwanawe uzorore, waunoti Jane uyu kuziva kuti
urimupenyu kana kuti wafa haanei nazvo uya
ndakazomuona zuro "
Ndakarara zvangu , ndaiti kuda ndinorara ndega asi
ndakatoona mhamha vaTinashe vokiya door ndobva
vararawo..
Takarara kunge tafa... Patakapepuka dzakanga dzatove
kuma10.. Mhamha vaTinashe vakati ndigeze
ndigogara mumba vabike panze..
Takazoona Tinashe ouya akabata zvingwa zviviri
neusavi zvaakatenga kumamai eShurugwi anouya
achitengesa kwatoshandira.
" Urikunzwa sei Ropa ?"
End of chapter 9
CHAPTER 10
MAI MARUFU
Kubva zvandakabva kuBoterekwa kunotsvaka Ropa
handina kuwana hope dzakanaka nekuda
kwemashoko amai vaya vokuviga Ropa..
Ndakadzamirwa nemashoko ekuti ndakaropafadzwa
hangu ndinonzvengwa nerufu kuti ndishungurudze
vana vevamwe uye kana ndofa ndichafa
ndakasungirira vana vangu vese mumbereko ndoenda
navo ! Chokwadi panyika pano pane vamwe vanhu
vanotaura zvavanoda kunge vana ven'anga.. Pamwe
ndomboti zvikauya mumusoro ndonzwa hana kurova
muviri kudikitira.
"Ndiri mai vakaipa here, inga vana vangu
ndakavayarutsa zvakanaka ndikavatrainer
kushanda wani "?
ROPAFADZO
Pandakati cheu ndakashamisika kuona baba Shelly
vachifamba vachipinda pachivanze pamai Tina
vakabata bamukuru ruoko. Ndaida kuvamhanyira asi
ndakabva ndati pasi ngondongondo nemabvi
ndichibva ndatanga kuchema.. Chakandichemedza
ishungu dzekuti bamukuru vangu ibofu asi
vakundikana kugara kumba vasingazive kwandiri...
Ndakazvinzwa ndine mhosva huru nekuti ndakaona
kunge ndavashungurudza nekutiza kumba
kwandakaita......
"Simukai mainini Ropa mubate baba venyu ruoko
vanzwe kuti ndimi vakatambura zvakanyanya kubva
zuva ramakabva pamba "
End of chapter 10
CHAPTER 11
ROPAFADZO
End of chapter 11
CHAPTER 12
JANET
TINASHE
Haa panaRopa ndakanyatsoona kuti
ndirikushamwaridzana nemwana mudiki chaiye.. Gari
made my day, handina kumbofungira kuti kupaparika
kwese kunoita Jane uku akatopedzwa kanonaka kese
nevakomana ? Ndaingoseka zvangu pese pazvaiuya
mumusoro mangu kuti mwana apedzwa soup
nekusevewa nevakomana.. Jane chero tikasiiwa
murima kwemazuva matatu handibate hangu zviya
ini.. Maybe ndikasiiwa naRopa ndingati mudzimu
waro bonga.. Moyo wangu pane zvaunonzwa pese
End of chapter 12
CHAPTER 13
MAI MARUFU
TINASHE
"Jane ! , urikudei pano?"
Moziva ndakavhunduka pandakaona kuti umwe
wevanhu ava ndiJanet? Kubvunza kwandakaita
ndakaita kunge ndavafungidza zvavanga vakanganwa.
Vakabva vati pakati pechivanze pfurugwada ndokuti
zii vakadaro.. Ndakadana mhamha vakanga vapinda
mumba vachibvawo vabuda..
Her.. "Ndimi vananiko vanangu"
Vakabvunza mhamha vachigara pedyo nanaJane!
Me.. "Nemiwo mhamha hamurioni here zibenzi
rekwaMarufu here iro remimba iri!"
"Iwe chikomana , pawaimitisa mwana uyu
wakanga uchitaura zvebenzi??? Hindava uchifarisa
iwe?"
Confusion yakatama mumusoro mangu ndikasara
ndave sober. Ndakatanga kunzwisisa zvafambirwa
nevanhu ava. Ndakapinda mumba ndokutora stool
yangu yandakaveza nemuonde ndokudzoka
ndonyatsogara pasi..
Me... "Jane , wanditizira ?"
Her.. "Ehee"
End of chapter 13
CHAPTER 14
MAI TINA
MAI JANE
Kushata kwezvimwe kunakawo kwezvimwe..Stress
yevaya vekuuya vakasiya baba Jane pano mazuva ano
yakadzikira.. Pandakanzwa mai Gire vachiti Jane
atambirwa kwanaTina ndakafara kunge ndichabata
denga. Mai Sheri anochiona chete gore rino. Anga
akamirira kuti mwana wangu iite mvana pamba
agowana chekufamba achinditaura. Ndiye
wandichasvinisa matumbu embudzi zuva
remasungiro aJanet.. Baba Denis kubva zuva ravaziva
kuti Jane ave kumurume uye ave nepamuviri havatauri
neni kana neniwo handina chekutaura navo.. Ko ndini
ndakamumitisa here ini, inga ndaingoswera pamba
vana vachimuka vachibuda zvavanoziva wani.. Pamba
pangu mazuvano ndopatsvaira mazuvaose
pachivanze.. VanaRopa vanongomuka vachibuda
ndosara hangu ndichitsvaira tsvaira nekunhonga
madhende nemapepa yadhi yose ndichipisa.
Vakwasha havazikanwe vanokaruka vangosvika
kuzoroora pamba pakasviba. Mai Tinashe
vakambondigadzika mashoko vaya kusaziva kuti vana
vachatibatanidza.. Handisungiri chigumbu zvangu
nekuti ndakagara ndazviona kuti Jane naTina
vanoenderana kwete zvanaRopa. Anozivei Ropa iye
uya.
Ndaitotsvaira hangu kugadzira muround huru
yatisingashandisi iyi kuitira kuti igare
yakangochenawo. Ndakanzwa kutaura panze
ndokudongorera nepawindow. Ndakaona vari mai
Gire vaiswedzana nababa Denis kumumvuri
kwavakanga vakagara.. Ndakabuda
End of chapter 14
CHAPTER 15
JANE
DENIS
Vazhinji vangafunga kuti ndiri rombe nekuti ndakasiya
vabereki vangu vachitambura pasina mwanakomana
anovariritira asi bodoo! Mufunge ndaizama kuriritira
mhuri iya sezvo baba vasingaone. Mai vangu
vaisazviona havo vaigara vachida zvakawanda
kudarika zvandinokwanisa kushava izvo
zvakazondipa pressure yekuenda kumangoda
kwaMutare. Hapana wandakaoneka kana
wandakaudza ndakangomuka sendinoenda
kuBoterekwa ndokutorova pasi. Tarisiro yaive
yekunowanawo mari huru kuti baba vazororewo
kutukwa neubofu hwavo namhamha kana pamba
pakava nemari nezvese zvinodiwa namhamha. Shungu
dzaitutuma kuti kuda mai vangu vakanditendawo
nemutupo wangu ndikanzwawo manyawi semunhu
akatanga kuriritira mhuri ndichiri mudiki. Kudzidza
handina hangu ndakagumira gr6.
Kutaura kuno ndakabuda nezuro mujere matanga
takasungwa takabatwa kwaChiyadzwa uko.
Chakanyanya kundinyudza ibanga randakawanikwa
ndinaro muhomwe apa pane munhu akanga abaiwa
End of chapter 15
CHAPTER 16
MAI MARUFU
ROPAFADZO
Kushanda muBoterekwa risina Jane kongondifadza
soo.. NaChido ikozvino tave kuwirirana zvasiyana
nenguva yaJane iya ndiye aitotivenganisa naChido..
Pakatizira Jane kunaTinashe ndakatoshamisika ka
ndaisaziva kuti Jane naTina vaitodanana
zvekumitisana. Ndakatonzwira Jane tsitsi kuti saka
nguva yese paainyadziswa achitukwa naTina
aitotukirwa chokwadi apa achitove nemimba yake.
Chakangozondibata ndechekuti kana
ndashungurudzwa namai Jane handichina
kwekutizira. Unokusvika sei kwamhamha vaTina
kunaJane??? Akati mazuvano anoita kunge mudzimai
waPrime minister , unowana ageza azora vaseline
kuita kunge apinda mugaba revaseline achinyiminya
kunge tsambarafuta zvake akati mutema mwana
wababa vangu. Apa anenge ataimira kuzotitaudza
tichibva kugomo akasunga kadhuku nezambiya kuti
timuone ka muroora.
Chandakazviudza kubva zuva ratizira Jane kwanaTina
ndechekuti ndofanira kutambira kure kwekure
naTinashe nekuti Jane akambondituka achiti ndoda
kumutorera mukomana wake Tina saka handidi hangu
nyaya dzinozondirovesa mangwana namai vake
ndikazorara mugomba. Ndaiti ndikaona Tina achibva
uko ndovhurira speed kutiza neimwe direction
handitodi hangu kuonekwa ndakamira naye..Iyewo
akatozviona mazuvano haachatevererani neni. Jane
ndoda chaizvo kuti achemberere kwanaTina nekuti
mazuvano kutukwa ndiri kutukwa asi zvava zvishoma
kuda hapana Jane anovaonerera vachindituka
achikushidzira..
End of chapter 16
CHAPTER 17
MAI MARUFU
VAMARUFU
Dzimwe nguva ndikafungawo kuti ndaimboona
ndichizvishandira ndinombochemera mumoyo kunge
kamba. Ikozvino ndangove hari yofanzirofa, chipfuyo
zvacho chakangopfuyiwa mumusha. Dai
ndichipfuyiwa nevanhu kwavo zvaive nani! Pamusha
pekuti hapana kana anomuka achikubvunza kuti
zvawarara uchikosora ndepapi parikurwadza.
Handizivi kuti dai vasiri vazukuru vangu
vanaMuganhu nemudzimai wake ndingadai ndichipo
here panyika.Mwana wangu Ropa aita mwanana
pazviri izvi ndiye umwe anondirwira zvake.. Mwari
hameno zvavakada kuti ndisaona kana kuti ndisaita
pavakanditobora meso avakambondipa..
Vanoona varinani vakamboona mwana wangu
mumakore mana apfuura paneni ndakapedzisira
kumuona achimudoko kuzokura kwese ndainge
ndongonzwa inzwi chete kuti ndiDenis mwanakomana
wangu. Kufa kwaDenis kwandirwadza kudarika zuva
randakataurirwa nanachiremba kuti handichazofa
ndakaona zvakare. Ndakarwadziwa asi
ndakangozvinyaradza nekuti
"chero ndirimupenyu, upenyu ndihwo hwakakosha"
CHAPTER 18
TINASHE
ROPAFADZO
Kubva zvatabva parufu rwamukoma Denis pamba
panga paakurwadza kugara. Vabereki
havachawirirana zvachose apa ini ndanzwa veduwee,
kutukwa naJane namai vake ndongoona kunge soon
ndichateverawo mukoma Denis. Papi nhai
pavangandirega ivo vakagona kuuraya wavo mwana
wavakabereka..Ndotoshaya kuti zvinotaurwa naJane
kuti Tina akati anoda ini arikuzviwanepi?
Ndakashamisika kunzwa nyaya dzobuda
nekunanamai Sheri kuti Jane akanga atizira munhu
waasina kumborara naye. Zvimwe zvunhu chokwadi
End of chapter 18
CHAPTER 19
MAI MARUFU
ROPAFADZO
Takasvika kuShurugwi nabamukuru kuchiri kuseni
chose. Ini Shurugwi handinyatsoiziva
ndakangoendako pandakasungwa nekudarika nemo
pandaibva kuZhombe. Bamukuru kunyangwe zvazvo
vasingaone asi ndivo vaitondiudza patakaburuka
paMumvuri kuti famba neapa chikona wakadai..
Takatofamba kadistance ndakavabata ruoko..
Kwataidzika nako kwakanga kusina kana vanhu
kwaive kwakanyarara zvisingaite, ndaive ndototya
kuti ko tikatorerwa bag ravo negumbeze idzva iri
vagodii.. Moyo wangu wairwadza, haisi nyore
kuperekedza mubereki kunomusiya musango..
Takazonosvika pamwe paive nevanhu vanogara
muroad vaya vakawanda. Zvaisiririsa kuona kuti baba
vangu ndipo povosara apa. Vamwe vaivewo mapofu
saVaMarufu asi vamwe vaitoona chaiko vanhu vasvinu
asi vanogara musango vachiita upenyu hwekupemha.
Bamukuru vakandiudza tichiri munzira kuti naivowo
vaizorarama nekumuka vachienda kurank
kwatakaburukira kunopemha.. Ndaisaziva kuti ndoita
sei kuti upenyu hwavo husava hwekupemha nekuti ini
wacho kana kuti kwamai Jane ndonogara kusvikepi
ndaisaziva..
Me... "Baba, ndine mari yandinayo
ndinganokutengerai chii chekudya?"
Baba.."Tenga upfu mwanangu chero kapepa kadiki
ndigopota ndichikumbirawo poto kunevamwe pano
ndichibvuwa "
Me.."Ehoi baba ndodzoka manje manje ndave
kudzokera kwatapfuura mashop kuya"
Ndakafamba ndokudzokera ndikanotenga upfu
nemafuta nemunyu nezvimwe zvidiki.. Ndakabuda
End of chapter 19
MAI MARUFU
ROPAFADZO
Manheru ezuva randakabva Shurugwi ndaitoda chose
kuti maiguru vandirove ndigowana kutiza pamba.
Hezvoo zvangu munyika mune vanhu vane moyo
yekubereka umu nhai ndingaswera ndichitamba mai
Jane vanongogona kupopota vagere? Ivo vakabatsirwa
naChido akapinda pavaida kundirova. Ndaive
ndatomaka kutiza kudzokera kwababa Sheri
ndonorara ndomuka ndichienda Boterekwa kunotora
mari..Pandakaseka chikwee ndaida kutovabvunza kuti
asi ndimi makatsiva chinzvimbo chamai
Gweshegweshe here chekuactor madrama ! Nhai
munhu angati murume wake waanga waave nesvondo
mbiri asingataure naye?
Chido paakabuda achida kunopa bamukuru sadza
ndakamutevera ndikasangana naye padoor obuda
aribara achida kuzobvunza kuti baba vake vaendepi!
End of chapter 20
CHAPTER 21
TINASHE
ROPAFADZO
Kubva zvandakasiya bamukuru kuShurugwi mumoyo
mangu mune rugare rwakapamhidzirwa. Ndaimbotya
kuti mai vaya vachandiita kanyama kanyama asi
ikozvino zvakabuda mupfungwa. Pese pandoona mai
Shumba vanondiudza kuti bamukuru vagere
zvakanaka. Vanotoratidza kufara kuva navo pamba
pavo. Maiguru zvichavatorera nguva kuti vazive
kunabamukuru nekuti vakaziva hapana
chavanobatsira nacho kunze kwekunovashungurudza
futi ikoko..
Ndakasara ndichiseka zvangu pakabva Jane namai
vake kuBoterekwa ndikati mai Shumba
vanonotsanangurira bamukuru zvavaona mugomo
nhasi.
Iko kuuya kwamaiguru kumakorokoza vakaudzwa
nyon'o nanaGari kwambovadzikamisa mazuvano.
Kana kumba kubva zuva riya vanoswera vakarara
kuita murwere chaiye apa mimba yaJane anoita kunge
akaipiwa namai vake anovavenga zvisingaite zvinenge
zvichingonyobvorana wanike naChido tongotarisa
hedu tingagodii? Vanhu veraini vaiuya pamba vachida
kuziva kuti maiguru vakaisepi bamukuru. Utsinye
hwavo hwunodai kuzikamwa nevanhu vese vamwe
vanotoita runyerekupe rwekuti vakanodumper
murume mumataundi mumastreet umu kuti aite
zvekupemha vachipota vachinotora
mari..Kuzikanwirwa kungoda kudya vagere..
Nyaya yakataurwa namai Shumba yekuti nditange
musika handina kuibatira padiki. Kumhanya
End of chapter 21
CHAPTER 22
NARRATION
VaMarufu upenyu hwavo hwakanochinja vava
muShurugwi. Mhuri yamai Shumba yese kana iri
Sunday hapana anowanikwa pamba vanoenda
kuchurch. VaMarufu vakajoinawo kuenda kuchurch
havachasweriwo pamba Sunday izvo zvazoita kuti
vave nehama neshamwari dzakawanda muShurugwi.
Mai Shumba pakatanga kusvika vaMarufu pamba pavo
vaingoonawo bofu rinozvitamburira rinongodawo
moyo murefu kuribatsira. Kubva pakatangawo
vaMarufu kumuka vachigeza mangwanani vochinjawo
mbatya dzavo dzakanaka dzavakapiwa panhaka
yemunin'ina wavo yaPedzi vakabva vatanga kuchinja..
Ubofu zvahwo asi vaMarufu vakasanduka kuita
gentleman zvekuti kana ukasaudzwa kuti havaone
vakagara havo pachair yavo yavakaisirwa namai
Shumba paveranda.. Vane nhoroondo yeupenyu
inorwadza yavanombowana nguva yekuidzokorora
kana vakatandara namai Shumba nevana vavo. Izvi
VAMARUFU
Dai ndakaziva kuti ubofu hwangu hwuchazondisvitsa
pakuurayisa mwanakomana umwechete paive neziso
nemoyo ndingadai ndakanguri ndabva pamusha
ndakanogara kana mustreet mwana wangu
akararama. Dai ndakaziva haibatsiri hayo ikozvino
ndopandaakuona kuti ndaisambotambura munyika
mune vanhu vakatumwa umu kwete zvanamai Denis
vanoita kunge vakabarwa chembere dzaenda kundari..
Pfungwa yekuti ndozosekwa nevamwe varume kuti
gwara rakatiza musha ndoimwe yaindishingisa pamba
paya kusvika zvazodai soo!
Mai Shumba vakandiitira zvandaisafungira asi pazvose
ndotenda Ropafadzo. Dai aisavapo kuchingonzi baba
vaJane kana mumastreet vamwe vainditaka
nematombo nekuti Jane paanosvika hapana anomuda.
Pamba pamai Shumba ndigere veduwee! Mwana wavo
End of chapter 22
CHAPTER 23
JANE
End of chapter 23
CHAPTER 24
MAI MARUFU
GARIKAI
Garikai Mukanya ndozita rangu. Mumhuri medu ndini
wekutanga pavana vatatu. Ndini ndega mukomana..
Zvechikorokoza izvi ndakazvitanga ndine 11 years
ndichitevera vanamukoma vemuraini medu vaingoti
pote votouya vachishamisira pamagirosa vachitenga
doro vauraya mari.. Ndopandakaona kuti chikoro
hachina kana dhiri better kunopindawo mumakomba
nevamwe. Mhuri yedu haiverengwi kuvarombo kana
kuvapfumi asi baba vangu munhu anoshanda nesimba
kusimudzira musha. Hanzvadzi dzangu mbiri idzi
dzinodzidza dzatove kumberi chose nedzidzo umwe
form 2 umwe form 4..Vabereki vangu vanhu vanofarira
zvechurch asi ini hangu ndini ndakatora yangu ndega
End of chapter 24
CHAPTER 25
ROPAFADZO
TINASHE
End of chapter 25
CHAPTER 26
JANET
ROPAFADZO
End of chapter 26
CHAPTER 27
MUGANHU
NARRATION
Ropa akazogarwa naye pasi nababa vake naMuganhu
vakamuzivisa nyaya yainge yauya naMuganhu asi
pakutanga Ropa zvakamudya moyo kuti aizoipedzisa
neyi imba yacho asi mai Shumba vakamutaurira kuti
zvaizomutorera makore asi chakakosha ndechekuti
basa guru ndiro rakaitwa navabereki vake kutenga
stand nekuvamba imba. Vakamutaurira kuti
aifanirawo kunosvika onoona chimiro chekustand
kwacho vabereki vake vangafara chose kana
akanotsika netsoka dzake kustand yacho.
Upenyu hwaRopa hwakatanga kuchinja zvishoma
nezvishoma kubva paakatanga zvemusika,
kuBoterekwa akambomira kuendako kwekanguva
achingotengesera muShurugwi. Basa rake rakamboti
netsei achangotanga asi ikozvino rapicker vanhu vave
kumuziva. Moyo wake wakazoramba worwadzira
Chido kuti aisaziva kwaari uye iyewo haachaziva kuti
arikurarama sei Chido kumba namai vake naJane.
Rimwe zuva akakumbira mai Shumba kuti aida
kurongedzawo zvunhu zvake aendewo navo
kuBoterekwa. Mai Shumba nekuvimba naRopa
paunhu vakamubvumidza nekuti chero panguva
yaaishanda kuBoterekwa havana kumboona
achizviwisira mumakorokoza.
Ropa akasvika kuBoterekwa haana kumboita
maminitsi anosvika gumi achine zvunhu zvaaitengesa,
vanhu vakatengera mufaro wekuti Ropa ainge asiya
zvekushanda kuchera mvura ave kuita zvekutengesa.
Chido akafara kuona Ropa zvekuti nyaya dzakatotadza
kupera dzese dzaaida kuudza Ropa nekuti dzainge
dzakawandisa. Chakarwadza Ropa inyaya yekuti Jane
ave kushinyidzira hembe dzaRopa nenhumbu yake
End of chapter 27
CHAPTER 28
MAI MARUFU
Ini handidohwisisi hangu zviri mumoyo mangu.. Baba
Jane takapedzisira kuva mukadzi nemurume Chido
arimucheche, mamwe makore ese tanga tongorarama
kunge hanzvadzi nehanzvadzi uye seni hangu rudo
navo rwainge rwapwa chaiko kunge chitsime
chemugwenga. Pandaida kuti vaende kunogara amwe
mapofu kuJairos Jiri uku hana yangu yainge yakafara
yakapombonoka kuti vabve pamusha ndisare ndive
mubereki ndega kuvana vangu kunyanya paya ndainge
ndatarisana nekudya marooro aJane ayo andisina kana
kuzomboona. Vanamai, kutaura chokwadi mazuvano
ndorara hope mbishi ndichifunga baba Janet..
Ndofunga kuvafunga kwandoita mazuvano
ndakazorota svondo rapera iri vachiita kunge vaive
pagungano rinenge resvondo asi aikandirwa mari
mundiro, mari yainge yakawanda zvayo iyoyo idzodzi
dzekuAmerica idzi.. Ndakamuka ndichiteuka ziya
muviri wose kuti tewu tewu ndikati pamwe
ndirikutambura nenhamo pano pamwe ichokwadi
baba Jane varikubata mazimari kwavari ikoko.
Kwandichaudzwa naniko hezvoo Ropa akatiza
akaendawo ikoko. Dzaive shungu hangu ndingadai
ndisina kumurova, Ropafadzo oga ndiye aigona
kudzosa baba Denis pano nekuti havaizombogara
nguva yakareba kudai varimusango vasingazivi kuti
Ropa arisei?
Muganhu nemhuri yake vanofara zvomene mazuva
ano ende zvunhu kumba kwavo zvirikuvafambira
zvakanaka fani. Ndoshaya kuti ndingatuma ani
anoferefeta kuti sekuru vavo varipi? Kave kaviri
ndichiona mai kana baba Sheri vakatakura mukwende
vachienda pazvimota zveShurugwi. Kureva kuti ndiko
MAI SHUMBA
End of chapter 28
CHAPTER 29
ROPAFADZO
Me.."📞Tina, ndiRopafadzo"
Him... "Woow! Ropa ndafara hako ndiwe uyu?"
Me.."📞Ehee ndini wakadii hako"
End of chapter 29
CHAPTER 30
MAI MARUFU
End of chapter 30
CHAPTER 31
TINASHE
End of chapter 31
CHAPTER 32
MAI SHUMBA.
NARRATION
End of chapter 32
CHAPTER 33
ROPAFADZO
End of chapter 33
CHAPTER 34
VAMARUFU
JANE MARUFU
End of chapter 34
CHAPTER 35
MAI SHELLY
ROPAFADZO
End of chapter 35
CHAPTER 36
ROPAFADZO
MAI MARUFU
Ndinombozviudza kuti pakuita zvunhu ndiri shasha
asi zverwendo rwuno aiwa ndaona moto hama..
Pamba pangu hapana kana anotsikapo chero kuzoona
kuti ndamuka sei? Mai Sheri vakangoguma zuva
ravakauya vachitaura twavanoda kana kuzovaona
zvakare handina.. Kana ariMuganhu pamwe
ndinombodemba kuti dai asvika andituka hake
End of chapter 36
CHAPTER 37
MAI MARUFU
JANE
End of chapter 38
CHAPTER 39
TINASHE
MAI MARUFU
End of chapter 39
CHAPTER 40
BOTEREKWA
🌳🌳🌳🌳🌳🌳🌳🌳🌳
BY MAMA LEA
+27815629776
ROPAFADZO
JANET
End of chapter 40
CHAPTER 41
ROPAFADZO
Janet Marufu
LINDIWE
End of chapter 41
Season Finale
NARRATION
MAI SHUMBA
End of ssn 1
BOTEREKWA