You are on page 1of 408

BOTEREKWA -1-

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA -2-

BOTEREKWA

Munyori… MAI LEANAGE


+27 815 629 776 whatsapp only
+27 744 582 980 for calls only

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA -3-

PDF
COVER & DESIGN
Done by
BRAJEY
+27 616 752 680

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA -4-

CHAPTER 1

"Ropafadzo mwanangu zvawadai wakura. Makore


gumi nemashanu aya watokurisa pakuzviriritira,
unoona Janet sisi wako uyu akatanga kupinda
muBoterekwa mumakorokoza umu achiita
zvekucherera makorokoza mvura yavanoshandisa
pakusefa goridhe ravo ane makore gumi nerimwe
chete.. Ini babamukuru vako ndiri bofu mwanangu
handina chandingakubatsira nacho pano pamusha.
Handingafari kuzoona wogeza nemvura pano sipo
ichivigwa nevanenge vaishanda. Rufu nderwaMwari
mwanawe, tese taida kuti baba namai vako
vararamewo vakuriritire kusvika wave kugonawo
kuzvimiririra wega. Wotowinya mwanangu, upenyu
hwakaoma zvaunoona hwakadai.."

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA -5-
Ndakatsikitsira musoro wangu pasi misodzi
ikadonhera muvhu ndichichekwa chekwa nekubaiwa
baiwa nemazwi emukoma wababa vangu. Kubva
zvakavigwa mai nababa vangu ndokekutanga kuti
bamukuru vagare neni pasi vachitaura neni. Rombo
rakanaka kuti ivo havaone havo ibofu, dai vaiona
vangadai vakaona marwadzo ainge aputira chiso
changu. Kunoita mukorokoza ini ? KuBoterekwa futi
kwandinenge ndichigaroona nzvimbo inonzi
paButcher iya pakapararira baba namai vangu.
Ndakatadza kuramba ndakasungira shungu muhana
ndichibva ndangoregedzera mhere.. Ndakambochema
chose kusvika ndapedza shungu.. Pandakapedza
kupukuta misodzi maiguru vangu vakanga vagara
pachisaga parutivi pabamukuru.. Mai vane
mumukanwa munobuda zvinovava ivava, chese
chavanotaura kwandiri anenge ari magaramoyo
chaiwo ekuti chero ndichipinduka kuhope ndopinduka
naro shoko rakangogara muhana..
➖➖➖➖➖➖➖➖➖➖

Pamakore gumi nemashanu ese andararama panyika


anga azere nemufaro. Ndiri mwana umwechete wamai
nababa Ropa. Nguva yese iyi taigara kuEmpress mine
pedyo neZhombe.Kumusha kwababa kuUnki mine
kuShurugwi taienda maholidays tichinoshanya chete
todzoka..Baba vangu namai vakanga vasina havo
kuvaka kumusha. Upenyu hwataingoziva ndihwohwo
hwekuraramira paEmpress paya baba vangu vaive
nemusika mukuru waitengeswa madomasi, mavege
nemafruits akasiyana siyana. Mai vangu vaiita
zvekuruka vanhu musoro.. Ini kuchikoro ndakadzidza
paSidakeni primary now ndanga ndichiita form 3
paSamambwa secondary..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA -6-
Back kumusha kuShurugwi kwakauya shoko kuti gogo
mai vababa vangu vashaya.. Mai vangu vakanondisiya
kumba kweshamwari yavo ivo ndokuenda kurufu
kumusha nababa... Ndakasara ndichienda kuchikoro
naBle mwana weshamwari yamhamha taidzidza
muclass imwe chete...
Yainge yatove weekend takatotarisira kuti
vanamhamha vanosvika manheru.. Takanzwa panews
dza8manheru kuti muBoterekwa munova 10km from
Shurugwi along Zvishavane road paita accident
yauraya vanhu vasere... Ini handina kuita hanya nazvo
nekuti maaccidents muBoterekwa anogara achiitika
nguva dzese ndoosaka muchitori nenzvimbo inonzi
paButcher muBoterekwa macho.. Shamwari
yamhamha yaingobuda buda nephone vachinofona
panze vodzoka mumba. Phone ikaringer vaibuda
vonodavira panze.Takakurumidza kuendeswa
kunorara ivo ndokusara vakagara nababa vaBle..
Kuseni ndakanzi namhamha vaBle ndirongedze
titevere vanamhamha kumusha. Ndakashamiswa
nazvo asi mumoyo ndakangoti kuda vaneta nekundipa
sadza ravo. Ndakazonoziva ndasvika kumusha kuti
accident yatakanzwa panews iya yakaenda neupenyu
hwevabereki vangu..
Kuvigwawo kwavakaita ndakanzi handichina
kwandichaenda ndave kutogara kumusha iko
kumachonyonyo muminda mirefu yekuUnki kuya..
Zvunhu zvizhinji zvevabereki vangu
zvakanotengeserwa kuEmpress ikoko mari handina
kuziva kuti yakapiwa ani asi ndakangoudzwa kuti
tatengesa panga pasina mari yekutakura... Ndoakava
mavambo angu ekugara muruzevha zevha chairwo
rwakazevhereka saizvozvo... Pamba pabamukuru
vangu unodya kana washanda. Kana usina kupukuta
dikita haudyi.. Vanorima chose asi murimi mukuru
ndiMwari, kana kusina mvura chero ukadikitira
hapana goho saka chikafu pamwe vaitoita
chekuruvira..Pamba pane vana vabamukuru vangu
vasikana vaviri nemukomana umwechete anove

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA -7-
gotwe. Vasikana mukuru wacho Janet ane 19years
achitevererwa na
Chido ane 16 years mukomana ane 11 years. Dangwe
ravo mukomana ave kutogarira kumakorokoza chero
pakaitika rufu rwanamhamha haana kuuya.. Janet
aingonditarisa zviri funny so hameno kuti chii
chaimboitika kwaari..

"Wotogadzirira Ropa mwanangu worara


wagadzira bucket rako ugomukira nevamwe
kuBoterekwa ko"

Vakadaro maiguru vachiratidza kurevesa pane


zvavaitaura... Ndakasimuka ndokunotora bucket
ndikatsvaka muvharo waro ndokuriisa pabench
mukitchen ndorandaizonoshandisa hangu...
Ndakarara here ndichifunga zuva remangwana kuti
richange rakamira sei? PaEmpress mvura taichera
pachibhorani asi chaingove pedyo iro bucket racho
ndaitotakura riri half futi... Ndakamutswa kuma4am
naJanet achiti handei.. Akandimutsa ivo vatopfurira
nezvinodziya apa pandakangomuka vakanga vatomira
panze vachiti buda tiende.. Ndakangononga zvimapata
pata zvangu nekajacket ndokupfeka ndokubuda apa
ivo vakanga vatobuda gedhe.. Ndakandonda
ndichivatevera ndikatoona kuti vakanga vatowanda
vachitosvika 6 vasikana...
"Wakambonzwa nezveMashurugwi here Ropafadzo?"

Akandibvunza Janet ndikanzwa hana yangu kurova


nekuti mbiri yeMashurugwi ndakamboinzwa
ichitaurwa nababa vangu...
Me.. "Eheee Jane anouraya vanhu nemabhemba
here aya?"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA -8-
Her.... "Ndiwayo chaiwo, kwatakananga uku ndiko
kubase kwawo kwaanowanikwa. Wotochangamuka
chisalala unotosiya mumakwenzi tisati tasvika
kwatoshandira.. Zvimapatapata zvawapfeka izvi
kurura urase. Kune matombo emunyaka uku
anotsvedza uchadonha zvekuzvambuka unodzoka
wasara nezino rimwe iwe!"

Vasikana vakaseka vakarovana chikwee murima


imomo.. Ndini ndega ndairidza patapata ivo vainge
vakapfeka ainge manyatera akatosungwa chaiko
ndaisanyatsoona nekuti kwaive kuchakati svibei.
Handisati ndambopadagura pasi netsoka asi ndave
kunzi ndirase mapata pata angu.. Ndakamboshinga ini
ndikati ndozobisa kwachena ndave kuona pekutsika.....
Ndopakatangira nhamo yangu yose uye pakaperera
rwendo rwefundo yangu.
Boterekwa, ndiro rine rungano rweupenyu hwangu..
Ndiro zvakare rine mavambo ematambudziko
eupenyu hwangu.
..

End of chapter 1

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA -9-

CHAPTER 2

BOTEREKWA
WRITTEN BY
🍓MAI LEANAGE

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 10 -
0815629776 whatsapp only
0744582980 for calls only

ROPAFADZO
Ndakasara ndosvika mumapiripiti imomo
mumakorokoza kwavanoshandira vana Janet ndave
kupadagura hangu netsoka. Matombo acho aitoita
kunge ane daka neni.. Ndaibaiwa baiwa apa tsoka
dzangu hadzina kujaira kutsika pasi ndisina bhutsu.
Kwaitonhora ndaiita kunge ndiri kutsika ice
ndichitsika matombo ummm handisati ndamboona
nhamo yakadaro muupenyu hwangu.. Kugara kwese
pataiuya kumusha kuholiday nanamhamha ndaifunga
kuti Jane anondifarira izvo aingoda nhumbi nebhutsu
zvangu zvandaimuvigira zvisingachandikwane.. Jane
mukuru hake asi mutete tete apa ini ndiri mukobvu
chose kumudarika... Aitobatsira mashamwari ake kuti
vasakuvara mumatombo imomo ini achindisiya kunge
asingandizive...

Takasvika paya ivo ndokunanga kuvanhu vavo


vavajaira.. Pakutanga Jane nevamwe vasikana vaviri
ndovakapiwa basa ini nevamwe vaviri vaive vakaita
vadiki ndokusara takagara pamabucket tichimirira
kuti tiwanewo basa..Eishy zvandakaona munzvimbo
iyoyo kaaa!, upenyu hwakaoma veduweee... VanaJane
vaiita kumhanya vakatakura mabucket apa
kwavainochera mvura kwairatidza kuti kure nekuti
vaimboenda vorova...
"Musikana akanaka kudai musalala uyu abvepiko nhai
varume"?

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 11 -
Akabvunza umwe mukomana akanga ane rasta raive
rakatsvuka nevhu remuboterekwa dzvuku riya achiita
kunge akaisa ginger uku maziso akatsvuka kuti
piriviri.. Ndakabwaira bwaira ndichitarisa vasikana
vandaive navo nekutya...Akaswedera pedyo neni
achitaura akaswededza muromo wake pandiri. Yhoo
asi kuita kunge ndave kubhema fodya paari?
Ndakanzwa musoro kutenderera veduweee! Fodya
plus dikita ummm poison chaiyo!
"Ndoda kukupa basa rakafitana newe baby rangu
handitika ?. Unoona kaimba kematanda kari apo
ako ? Ndoimba yadaddy iyoyo saka iwe
ndichakuratidza pekutora ivhu wonama zvekuti
matanda ese ayo haaonekwi.. Ndokupa mari yako
kana wapedza.. Simuka tione"

Ndakambonjeva njeva kutarisa Jane kuti haasati ouya


here andiudzewo kuti ndoita sei ? Ndabva kumba
tichinzi tozochera mvura manje ndave kunzi ndiname
chiimba chematanda.. Zveshuwawo ndakaona Jane
achiuya nevamwe vake vakatakura mvura ndikati
Mwari wangu.. Ndakanomuzevezera zvakanga
zvataurwa nemukomana uya akanditi,
"watotanga ka chihure chamaiita kuEmpress
kwenyu ukoo! Tauya kuzochera mvura iwe
waakuita zvezvin'anda zvemakorokoza?"

Apa mukomana uya akabva anditi mhanya unochera


mvura uzotanga basa.. Ndakakweva makumbo
ndichitevera mushure manaJanet.. Kwatainanga
kwacho kumazikomba ndiko chaiko kwatakaenda
nanabamukuru baba namhamha vachangopedza
kuvigwa hameno chivanhu chakanoitwa ipapo kwanzi
kuti mweya yavo izorore.. Makaita mumazipiripiti
makanowira combi yavakanga vakakwira mushure
mekunge yarohwa netruck.. Ndakambovhiringika

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 12 -
njere ndiripo nekuti marangwanda ecombi haana
kunge abiswa aivapo...
"Douya pano iwe utiudze kuti basa remamedhemu
iri wariwana sei isu vamwe tichimhanya
nemabuckets kudai?"

Akadaro umwe musikana pane vasikana vaifamba


naJanet.. Ndaitoona kuti vanhu ava vanditsamwira asi
ndakaramba ndakanyarara pfungwa dzaive
kumarangwanda ecombi yakanga yakati zete pakati
pemazitombo.
Me... "Jane, ndocombi yakauraya baba vangu
namhamha iyi, ndopatakauya zuva riye na...."

Jane akaita kundidimbudzira ndisati ndapedza


kutaura akati,
"Ropa siyana nemangwenjere ayo huya upindure
mubvunzo pano, wariwana sei basa rekunama
chin'anda chiya isu tichimhanya nemabuckets? "

Pandakada kutsanangura kuti munhu angouyawo


pandiri ndakanzwa shamhu yondicheka
mumakumbo.. Ndakarohwa veduwee nemusikana uya
akatanga kubvunza , apa Jane akanga agara zvake
pamusoro pezidombo akafuratira combi iya...
"Dai waramba zvako Ropa usina kumborohwa" ,
aitotaura hake achipwanya apple hameno kwaanga
ariwana.Raiita kunge riri kutemwa nebheura iro
richipwanywa nemaziso.
"Basa rawapiwa riya rinofanira kupiwa isu maboss
tagara muno nekuti rinemari iri double kudarika
kuchera mvura"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 13 -
Dzakandicheka shamhu mutsapfu umu
ndichingodzana dzana ndakamira. Neshungu
ndakatadza kana kuchema.. Vasikana vakatakura
mvura yavo ndokuenda ndikasara ndocherera bucket
rangu. Mvura yacho yaiita kunge inodzinira ichibuda
pasi pedombo. Apa nzvimbo yacho inotyisa sei?
Pandakacheuka ndakaona vamwe mai vechikuru
vakanga vakamira vakabata bucket ravo vachiratidza
kuti vamirira kuti ndizadze vagocherawo mvura.
"Wati mai vako vakafira muaccident yecombi iyi
mwanangu ?"

Vakabvunza mai vaya asi ndakatosvotwa kuti


vazvinzwa havo sei vanga vasingandibatsiri
ndichirohwa?
Me... "Ehee vose nababa vangu"
Her... "Sorry hako mwanangu ndizvo zvinoita upenyu
asi usarase tariro Mwari havarare"
Ndakatakura bucket rangu ndokubva ndisina
kuvapindura. Shungu dzandaive nadzo dzaive dzekuda
kuridza zimhere chaidzo.. Sei Jane achindiita sooo!
Kunama nedhaka kwacho handitogone asi mukomana
uya akandiratidza kuti zvoitwa sei ndikaswera ndave
kutonama hangu.. Maoko akarwadza aya zvese
nemakumbo ko ndakambozviitepi nhai veukama
woyee!
Ndoona kunge dai ndaigona ndingadai
ndakakurumidza kupedza asi ndakatoita zuva rese
kuti ndipedze chiimba ichocho.. Kuma4 zuva rorereka
mukomana uya akauya ndokundipa 15us..
Ndakavhunduka zvisingaite ndaisaziva kuti ndiyo
mari yacho ndaitoti pamwe i5us kana 2 zvayo..
Ndakamutenda iye achibva anditsonya neziso.
Ndakashaya kuziva zvazvaireva...
Ndakanhonga bucket ramai Jane rakanga rakazara
madhaka ndokunanga kumvura kuya kuti ndinorigeza

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 14 -
neniwo ndichigeza makumbo sezvo kwakanga
kwatodoka tigoenda hedu kana vanaJane vapiwa mari
dzavo dzavakanga vakamirira... Ndakageza bucket
ndokuzvidira dira mvura mumakumbo. Pfungwa
yangu yakagaya kuti vasikana vaya vachanditorera
mari yangu kana Jane zvake anogona kuzviita...
Ndakafamba ndokukwidza zvishoma ndakananga
kwaive necombi iya.. Ndakaona rimwe dombo raive
rakasiyana neamwe panzvimbo iyoyo ndikati
nechemumoyo kudombo riya
, "uchengete mari yangu ndichauya ndoitora
mangwana wanzwakaa!"

Ndakabva ndapfenyeka 10us pasi pedombo riya


ndokubva ndabvapo pasati paita andiona..
Munzira kuenda kumba vanaJane vakanga vachifara
nema6us avakanga vanawo. Tave kutoda kupinda
kumainroad kuti tiwane zvimota zvinoenda kuUnki
Jane akabva atanga kundibvunza kuti ndapiwa marii?
Ndakangobudisa 5us yandakanga ndinayo
ndokumuratidza ndakanyarara.. Ivo mari dzavo dzaive
dzemadhora dhora. Akahwengura 5us yangu
ndokundipa madhora maviri achibva aisa 5us
muhomwe make.. Ndakarwadziwa veduwee kunge
ndichazvirovera pasi ndikatsemuka musoro.. Kuzoti
dai ndanga ndine 10 iya ndoyaaingotora hake !
Takasvika kumba usiku tikawana sadza rabikwa
nezibhodho asi pasina muriwo..
"Mauyazve vadzimba ?, sadza tabika asi hapana
kana muriwo vanangu, domhanyai paSiza apo
mutitengere mukaka wakakora tidodya sadza
taswera nayo makavhu haagari mumudumbu"
vakadaro mhamha vaJane vachitonongora mazino avo
ndakashaya kuti asi makavhu emuminda mirefu
akafanana nemango here dzinosomera mumazino.

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 15 -
Jane akanditarisa kuti nditange ini kubuda tinotenga
mukaka.. Ndakaramba ndakamira ndaienda
kunotenga mukaka wei iyo mari yangu $3 yese atora?..
"Hande Ropa, ukagomira wani iwe uchinzwa kuti
hapana muriwo asi hauna nzara?"

Akabvunza Jane achinyepera kuzungaira.. Ndakabva


ndatogara pabench ini ndikati chinouya chinoona ini
kusiri kufa ndekupi?
"Janet, woda kuti ndidii ndasara nedhora rechimota
mangwana. Watora mari yangu $3 dollars yese.
Mukaka wacho ndonotenga nemakushe here
nhai..."

"Pfutseki mhani iweee!"


Vakaita kundivhundutsira mai vaJane zvekuti ndakaita
kutomhuka kubva pandaive ndakagara ndikanozorora
ndave panze.. Jane akabuda achitoseka zvake
ndokundikweva ruoko kuti tiende. Akatora dhora
randakanga ndasara naro ndokutenga mukaka we$2...
Ndohwakava upenyu hwanyu pamusha pedu apa.
Babamukuru vangu ibofu havo havaone hapana
chavanomboti bufu pane zvinenge zvichitaurwa zvose.
Kubva zuva randakatanga kuenda kuBoterekwa
ndikanoona pakaperera upenyu hwevabereki vangu
nzvimbo iyi chero kuhope inongouya ndichida
ndisingade.. Dombo rangu parizvino randichengetera
18us ndoyandave nayo..

End of chapter 2

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 16 -

CHAPTER 3

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 17 -

BOTEREKWA

🍓MAI LEANAGE
0815629776 whatsapp only
0744582980 for calls only

JANET
Kukura kwangu kwese hapana humwe upenyu
hwandoziva kunze kwehwekupinda mumakorokoza
muBoterekwa ndichishandawo nevamwe vanana.
Ndakatanga kushanda mumakorokoza ndine 11 years.
Kutaura chokwadi upenyu huya hauna chakati tasa
chahunobusisa pamunhu. Umhandara hwakaenda
ndine 13 years nemakorokoza. Ko ndaidii ini ndichida
kuti kumba vanhu vawane chekubata. Hapasi pese
patinoendawo tongonowana basa zviri nyore. Pamwe
unotowanawo vachiti
"mari irikukava"
vasinawo yekutibhadhara yacho. Mari yechimota
chaiyo yekudzokeresa kumba ndinenge
ndisina.Ndopavanotora advantage ipapo makorokoza
vorara nesu wopiwa kana dhora..Ndikadzokera kumba
ndisina mari mhamha vanoita kana mazuva matatu
vasingataure nani hanzi waswera uchitamba. Upenyu

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 18 -
hwechikorokoza unhu hwoda unhu hwechibhinya
bhinya. Ukaita musamaria akanaka unobaiwa
nekushandira nhema nekuti pamwe totombonyimwa
mari yatinenge tashandira saka unongozoita
chibhanditi kuramba uchinetsana neanoda
kukunyudza wacho..
Upenyu hwaRopafadzo ndakahuchiva kubva kare
pandakarega chikoro ndiri grade 4 vabereki vangu
vandiudza kuti havachakwanisa kundiendesa mberi
nechikoro.. Ropafadzo aiuya veduwee namai vake
nababa vake vachizoshanya kumba kwedu, ndingati
vachizoshayina kwete kushanya.. Ropa airambidzwa
kutambisa zvitoy zvedu zvataiumba nedhaka namai
vake achinzi atambise matoys aaibva nawo kutown.
Chiona mudhori wake unenge wakapfeka rokwe
rakanaka kudarika rangu ini munhu.. Ndairwadziwa
veduwee apa ndichinyatsoona kuti handifewo
ndakaitawo upenyu hwakanaka kudaro, ndohuita sei
ivo baba vangu vaMarufu vave bofu vakaputikirwa
nehorror muPeak mine mavaishanda muShurugwi..
Mai vaRopa vaimbonditorawo amwe maholiday
ndichienda kuholiday kuEmpress asi ummm
kwaitondibhowa ini ndajaira shamwari dzangu
dzekuno kumusha ndini ndinenge ndiri group leader
kwete shamwari dzaRopa dzaiswera dzakapfeka
zvimubheri , ini zvangu ndaiswera ndakapfeka
mazidhirezi angu andaisonerwa nasisi vamhamha
nemushini, waiona vondiseka futi. Asi Ropa
aimbondipa hake hembe dzakanaka asi ndezvakare
zve ndingangoramba ndinadzo here dzimwe
dzakatodambuka..
Kufa kwevabereki vaRopa ndakarwadziwa sezvo vari
mainini nabamunini vangu asi ini hangu kufa
kwevanhu hachisi chinhu chichandityisa.
KuBoterekwa uku tajaira kuona zvitunha zvimwe
zvinenge zvapwanyika pwanyika zvisisina makumbo
zvadhirikirwa mungwavava.. Nhasi uno chinonzi kufa
kwemunhu hachisi chinhu chinotyisa kwandiri...

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 19 -
Semunhu ajaira zvemuBoterekwa yavewo nguva
yangu yekudzidzisa Ropa makona emumakorokoza..
Ndooupenyu ivhiri ka zviya zvinongotaurwa nevanhu
ndopazvinoshanda apa.. Ndoziva hangu kuti
aripanguva yakaoma nekufa kwevabereki vake asi
ndofanirawo kumudzidzisa kuti chii chinonzi
kuzvimiririra , achanditenda rimwe gore..Zuva
rekutanga ndakarwadziwa nekuti mukomana akapa
Ropa basa rekunama chin'anda chake ndiye munhu
akandibvisa umhandara and nanhasi mari yaakanga
ati anondipa 3us haana kuzondipa. Ndakaresva hangu
kuzoitora hangu kunaRopafadzo asi ndaigodiiwo mari
yangu haingarovekaa!
Pese pataienda kuBoterekwa ndaibvako ndakasvotwa
veduwee, Ropafadzo aingopiwa zvimabasa
zvisingarwadze zvine mari futi. Chaindinetsa munzira
ukati tione mari yawawana aingobudisa kamari
kashoma ndaitoshaya kuti vanhu vanomupa mabasa
asi havamupe mari here! Ndakarwadziwa hangu, isu
tisu maseniour ka tofanira kupiwa mabasa akanaka
anobhadhara. Ruvengo rwangu kunaRopafadzo
rwaikura pazuva pazuva zvekuti dzimwe nguva
ndainzwa kuda kumusundidzira mungwavava
apereremo.. Apa baba vangu vaiti kana tasvika kumba
vaifarira Ropa chero akabudisa $2 voti ashanda chaiko
ini ndinenge ndine kana $9 havambotauri nezvangu.
Chandaive ndisina kumuudza Ropa ndechekuti kana
akanzwa pemba yaridzwa anofanira kutiza kunenge
kwauya mapurisa. Kuchikorokoza kuya ukabatwa
nemapurisa unogona kunogara mujere kwezvimwedzi
zvakati kaa saka kana pemba ikarira tinototiza
tichikwira makomo.
Taive busy chaiko tichimhanya nemigomo patakanzwa
pemba ichiridzwa. Ini mvura ndakangobheurira pasi
ndokubereka tsoka nevamwe takananga mugomo..
Tatove pamusoro pegomo ndopatakagara pamatombo
totarisa kwatabva ndokuona....

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 20 -

VAMARUFU
Kuberekwa kwangu ndakatoberekwawo ndiri munhu
aiona sevamwe. Upofu uhwu hwakauya ndatokura
ndave nevana vaviri Denis naJanet.. Ndakadhuukirwa
nehora dzataidhuura muPeakmine mboni dzemaziso
ndokusariramo. Ndinogara zvangu ndakapfeka
magirazi angu matema evasingaone zvekuti kana
usingazive kuti ndoribofu haumbofungire. Ubofu
hwangu chahunonditadzisa kuendawo kubasa
kunoshanda sevamwe varume asi pamusha zvese
zvinoitika ndoona mubrain. Brain dzangu dzinoona
kudarika vanemaziso.
Pakafa munin'ina wangu Pedzi nemudzimai wake
ndakachema kudarika munhu wese asika vakuru
vanoti
"kuchema kwekamba kuri mumoyo!"
Hapana akaona misodzi yangu asi ndakamuchema
chose munin'ina wangu..
Pedzi aifanira kurarama ini ndakafa hangu ndisina
herepu panyika. Nhai ndichaitei ini ndisingagone
kusumukawo kunoshanda sevamwe.Ndakarwadziwa
chokwadi. Chakambondidzikamisa ndechekuti vasiya
havo mwana umwechete dai vakazvara vana vazhinji
ndaisara ndikavaisa pai hangu.
Mai Ropafadzo chero ndisina kumbomuona nemaziso
angu asi mukutaura ndaimunzwa kuti mudzimai
akagwinya uye anovaka. Haikona mhashu makomo
yekwaMurehwa yandinayo mumba.. Ndoshaya kuti
mwana waPedzi ndomuviga pai asaoneswa nhamo
yese iyi! Chokwadi ungava mai rudzii vanomiririra
kuriritirwa nepwere yakaita saChido?, handichabati
zvangu uyu wemutsindo Janet. Ukamutuma anoita
kunge arikudzana ngoma iye achifamba pachivanze

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 21 -
urimutsindo wekutsamwira kutumwa. Ndotya zvangu
kuzopihwa maheu azere zvidya zvemapete ndikada
kunyanya kutsiura zvimwe zvunhu pamusha saka
ndongonyararawo zvangu semunhu asina meso..
Pese pandaifunga mwana wemunin'ina wangu hope
dzaipera. Boterekwa rakanditsvata zvamunoona..
Ndaingonzwa vamwe vachichema varasikirwa
nehama dzavo muBoterekwa handina kuziva kuti
ndaizochemawo Pedzi wababa vangu nemudzimai
wake.
Aiedza chose mwana wangu kuitawo zvinoita vamwe.
Chinorwadza ndikoko kuita basa remukorokoza
mwana akakura asingazvizivi hake , rufu rwunodada
zvamunoona. Pamwe ndaimbosvimha musodzi ndega
ndakagara hangu pamushana. Aiti akabva
kuBoterekwa kwavo ikoko waiona ndouya
ndopfenyekwa kadhora muhomwe yebhachi ndonzi
mugotenga drink. Ndoritenga ndinoona here veduwee
achikona kushandisa hake iye anovona. Ndakanyanya
kurwadziwa zuva randakamuti usandipa mari
mwanangu , handigoni kufamba kuenda kuchitoro
akati,
"ndoda kuti mugare nayo baba, ichingowanda
munayo kusvika pamunozoindawo kutaundi
motenga chamoda"
Eheeka ndinomboinda kutaundi kana mwedzi wapera
ndichinotora mari dzangu dzekukuvara pabasa
nyangwe dzisingachatengi zvadzo mai Marufu
vanenge vachitoida arimarara akadaro vovhunira
muhomwe..
Takanga tatopedza kudya hedu manheru takatandara
tamirira vasikana kuti vasvike sezvo vachingosvika
pamba hwava usiku. Mutemo wangu handiende
kunorara vana vasina kusvika pamba ndisina
kunzwawo inzwi remwana wemunin'ina wangu kuti
asvika arimutano. Zvongotyisa ka vana kuswera
mumakorokoza umu mune Mashurugwi naiwo avanoti
mabhuru aya anotorera vamwe goridhe ravo imhondi
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 22 -
ka dziya.. Takanzwa chigedhe chepachivanze
kuvhurwa tikaziva kuti vasvika vasikana.
Ndakakwevera cheya yangu nechekure nemoto kuri
kuvhurira vana vatonhorwa kuti vazodziyawo moto..
"Hezvooo ko Chido ukagobata mabucket maviri ko
muridzi webucket iroro aendepi"?

Ndakavhunduka mai Marufu vachibvunza Chido


ndikaziva kuti Ropafadzo haana kuuya nevamwe..
Me... "Taura Chido!, , arikupi Ropa mamusiya kupi?"
ndakakwamatata ndakatarisa kwaibva izwi raChido
ko ndaimuona here?
Chido..."Aaaah parira pemba handina kumuona ini
ndanga ndichida kumuudza kuti tiza ndangozoona
a......"

End of chapter 3

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 23 -

CHAPTER 4

ROPAFADZO👩🏻

Kugara hangu ndichidemba upenyu hwekuEmpress


hwandairarama nevabereki vangu kwakatanga
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 24 -
kuenda kuchipera zvishoma zvishoma nyangwe
zvazvo pfungwa dzangu dzisina kuregedza kufunga
firo yakaita vabereki vangu. Zvimwe zvacho
zvandozotenda nazvo Mwari sooka, ndongoti Mwari
makaita zvenyu mukasapa mhamha vangu umwe
mwana mumashure mangu. Chokwadi ndaizoita sei
naye munin'ina wangu munhamo yandave kuona iyi
ndopandaizodyika moyo zvangu ndikaparara ini.
Handitogone kuzviprotector ini pachangu kubva
kumabully evasikana ava shamwari dzaJanet kuzoti
nemupfana wangu taingozorohwa tese...
Ndakatanga kujaira routine yeupenyu hutsva uhwu.
Kumuka nekuenda kumakorokoza hapana zuva
remahara rinopfuura takagara nekuti mai ava
tunonaka vanotuda asi kushanda havade. Kugeza
taigeza murima mazuva ose. Mazinzwara angu
akatanga kukura ko nguva yekucheka nzwara
ndoiwanepi apa dzese nedzemumakumbo dzangove
zvimwe zvunhu nevhu dzvuku remuBoterekwa. Chero
kuti uti unoiruma nzwara unoisema iwe muridzi wayo.
Kana ari man'a nezvingaka zvandave nazvo
mumakumbo nemwedzi umwechete wandatanga
kushanda mumakorokoza ka. Ndatojairawo kupfeka
zvimatenesi zvangu ndosunga negavi kubva pasi
petenesi apa rouya roita serakatenderedza gumbo
kunge masanduro anaPauro vemubhaibheri vaya
kuitira kuti kana ndichishanda tinenge
takangonamirana netenisi rangu chero rikapinda
mvura mukati hapana kana dambudziko.
Mari yangu irikuwanda zvishoma nezvishoma kana
yawanda ndoda kudzokera kuEmpress kunomutsa
musika wababa vangu macustomer avo
arikutotambura fani. Ndochinangwa changu nepane
shungu dzangu, kana zvunhu zvandinakirawo
bamukuru vangu ndichapota ndichivatora
vachizoshanyawo kwandiri kana mwedzi vachifurwa
nemhepo , hapana asingade fresh air kubva kunamai
Marufu..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 25 -
Mabasa zvangu ndinomawana akareruka fani
vanaJane vakada kundirova vangatondiuraya nekuti
anoverengeka chose mazuva andomhanya nebucket
remvura.. Pamwe ndogona kungosvikawo pane
varikupedzisa kusefa goridhe ravo ndonzi chera
bucket remvura utisukirewo mazamba edu maviri aya
ndotopiwa kana 10us.. Migomo 10 yanaJanet iyoyo..
Lucky iri harina kuzoramba rineni, rimwe zuva
tichishanda ndakanzwa pemba yakaridzwa apa ini
ndaive ndichitofamba hangu zvishoma nezvishoma
ndichienda kumvura kunosuka bucket ramai
marufu.Handina kana kucheuka ndakangoti
zvemakorokoza kuda kune vauraya mari varikufara
zvavo. Mari yandaive ndawana 11us ndaitozviudza
kuti yakwana nhasi ndoda kumborara pamumvuri
chaipo kuzorodza nyama ndakamirira vanaJane.
Kwaitove kuma1 masikati.Ndakaona vanhu chave
chipatapata kumhanya vakatarisa kwakasiyana siyana
asi handina kuziva kuti kana iri shumba kana nzou
yavarikutiza irikubva rutivi rwupi? Ndakagadzika
bucket pasi ndokumhanyawo ndotevera pakange
papinda nevamwe vakomana asi semunhu ndakanga
ndavhiringika nezvaiitika ndaisanyatsoona
pandaitsika zvakanaka.. Ndakanotsika rimwe ibwe
remunyaka ndichibva ndatsvedza ndikadonha zvekuti
ndakambonzwa kunge ndatsemuka musoro.
Pandakamuka ipapo ndichicheuka mumashure mangu
makanga makamira mupurisa 👮🏽 wechikadzi akabata
pfuti.. Ndaisaziva kuti mapurisa anogara nepfuti kaa
ini..Ndaingoti pfuti ndedzemasoja. Akangondipa sign
yekuti ndiende paari ndichibva ndangofamba
kumuvinga ko ndaive ndichadii hangu !
Ndakanokandwa mumota yemapurisa maitove
nevamwe 9 vasikana takabva taita vatatu. Pasina
nguva mota yaive yazara ndokusimukiwa nesu
tonanga Shurugwi. Ndakasvimha misodzi mota
ichigomera nemakata eBoterekwa ndikati ,
"baba namai Ropafadzo makanganwa here kuti
mune bodzi ramasiya panyika ramusina kusiira

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 26 -
kana kobiri zvaro. Ko madiiwo mandichengetedza
pandiri kuedza kuzvishandira pane kundirega
ndichinopinzwa mujere?"

Yakachururuka yega misodzi kusvika tasvika pakamba


yemapurisa muShurugwi. Takaburutswa
ndokuvharigwa isu vasikana takange tave 5
takanovharirwa kwedu tega tikanzi tozoonekwa
mangwana. Zviripachena kuti kutoraramo mujere ka
uku.. Usafe wakashamisira uchirova munhu uchiti
"ndokuendera kujere ndakuuraya ini!"
Kugutisa kuya nzvimbo iya haina kana mashine
zvekuti ungazvirova dundundu nayo. Manheru
takapiwa sadza necabbage rakanga rakatsva apa risina
munyu nemafuta. Ndakangoita misuva miviri
ndikazvitadza ini. Pfungwa dzangu dzakanga dzave
kunababamukuru vangu. Sadza vanorimedza here
ndisipo ?, vanenge vaudzwa kutii nanaJane? Uya
mwana wavo weutsinye anogona kuvaudza kuti
ndatizira kumukomana ka. Ndakadyika mapapu kunge
achapera veduwee.. Ndakaita hangu mhanza yekuti
vasikana vandakanga ndinavo vaiva friendly zvavo
taitaura tichisimbisana tirimo mukati imomo and
vaitotaura kuti hatimboende kucourt togona kungonzi
tibise mari kuseni totoregedzwa. Vese vairatidza kuva
nemafamily anovada achavatevera kana kwangoedza.
Ko ini ndinaani babamukuru vangu ibofu havaone ..
Kuseni kwacho takazonzi tibhadhare ma50us tibude
asina anonyura. Ini ndaingove ne11us yandakashanda
zuro wacho chete. Papi pandingati regai
ndimbomhanya pasi pebwe kuBoterekwa ndinotora
mari?
Vamwe vakavigirwa mari nehama dzavo vachibuda.
Apa takanga tazounganidzwa ka tose nevanhurume.
Hapana chinorwadza sekuona vamwe
vachitobhadharirwa mari vachitobuda kuenda iwe
uchisara.. Kuvasikana vandaive navo takanga tazosara

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 27 -
vaviri manje nevakomana vanosvika 5.. 1 dzemasikati
dzakachaya tiripo pasina chasanduka kuti hapana
auyawo kuzondiona wekumba kwedu.. Iko
ndaitarisira anikoo Jane atove busy kushanda mari
yake. Kuma2 ndopatakazoudzwa kuti isu tasara
topinda mucourt mangwana acho topiwa mutongo
wedu hameno kuti kugara mujere kwenguva yakareba
zvakadii? Zvunhu zvacho zvaitondinetsa ini kuti vanhu
varikungorobbewa ma50us varipanze ndiyo fine
yacho here? Takanodzorerwa hedu nemusikana
wandaive naye apa takabva tanoiswa kumwe kwaive
nevamwe vanhukadzi kusiriko kwatakarara zuro
wacho.. Vaivewo bully vamwe vacho wazoti
kushungurudzwa here kwatakaitwa. Ndakashaya kuti
tavingei ikoko isu tisina kutongwa..
Zuva rakange rotodoka kuma4pm pakauya umwe
warder wechikadzi akati,
"vasikana vaviri vaya vauya masikati muno varipi
nditeverei!"

Takabuda ndokutevera warder uya.. Takasvika


kureception ndokuwana pakagara umwe mukomana
wechidiki anenge arikuma19-20 years. Face yake
haina kuita itsva kwandiri. Ndaishaya kuti
ndakambomuonepi hangu apa dressing yake
nemagezero aaive akaita ndakaziva kuti handina
kumuona kumakorokoza..
"Ndivava vasikana vacho vasara ava, nongedza
wawavinga pane ava sezvo wati hauzive zita rake!"

Ndakavhunduka kuti munhu anonzi anongedze


munhu waavinga apa haazive zita rake saka anomudii
munhu waasingazive zita rake? Ndakatsikitsira
musoro pasi ndisingade kana kuti anditarise unogona
kuita munyama ka wonzi ndiwe wavingwa apa munhu
haumuzive. Better kugara hangu mujere panekubiwa.

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 28 -
"Ndeuyo ane chijacket chitsvuku uyo !"

Akadaro mukomana uya ndikavhunduka veduwee


ndini ndega ndaive nechijacket chitsvuku.. Warder uya
haanawo kuzoda kubvunza twakawanda kana kuti
unomuzivirepi akabva atoti mukomana uya
anobhadhara mari iye ndokutora umwe musikana
shamwari yangu iya ndokudzokera naye..
Ndakangoona ndave kunze ndabhadharirwa mari
nemukomana uye.. Ndaingofamba ndichimutevera
kuti tibve pane vanhu anyatsondiudza kuti
anopengera pandiri ndini ndakamuroya here ini?
Me... "Nhai bhudhi zvirikufamba sei?"
Ndakamubvunza ndakanyatsodzikama
ndakamutarisa mumaziso chaimo...
Him... "Hesi kani haundizive here tinoshanda tese
kuBoterekwa handiti urimunin'ina waJanet
ndokuziva wani?"
Me.. "Hongu ndini asi why wauya kuzondibhadharira
mari apa ndasiya shamwari yangu yega mukati umo.."
Him.. "Zita rangu ndinonzi Tinashe Hwesa."
Me... "Ropafadzo Marufu!"
Ndakataura nezivoice riya rekugumbuka nekuti
mukomana uyu aisapindura mibvunzo yangu
yandaimubvunza.. Apa fambisiro yaaita ndaitoitawo
pamwe zvekutombomhanya nekuti Shurugwi
handiizive kana kuti taive takanangepi ndakange
ndine chindee kunge mbudzi..
"Urikumboendepi neni nhaiwe Tinashe Hwesa ?"
Him... "Pamacombi mhani Ropafadzo unoti
ndingakuba here ndiri kutomhanyira basa rangu
randasiya kuBoterekwa uku! "
Panguva iyoyo akabva aita kakudzokera shure kunge
pane munhu waakafananidza.

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 29 -
Him.. "Wanga uchichemera shamwari yako Angela iyo
brother yake irikuburuka mucombi umo otonomutora"
Ndopandakaziva kuti shamwari yangu iya anonzi
Angela, kana iye akasara asingazive zita rangu.
Pandakaona tapinda mucombi handina kuzoda
kunyanya kubvunza zvakawanda ndakangoti chero
ndave kuenda kumba. Takasvika tikaburuka
pakanangana nekwatoshandira apa kwakanga
kwachizosviba manje..
Tinashe.. "Ropafadzo, usandidzosera mari
yandakubhadharira iya ndangokubatsira nekuda
kwezvanga zvichitaurwa naJanet masikati achishanda.
Ndarwadziwa ufunge , kwete ini ndega but vakawanda
vabatikana nazvo. Ndave kuziva zvishoma about life
history yako kuburikidza nemashoko asisi vako.
Vabereki vako vakafa ka nekuti anga achiti vabereki
vako vakafa kunge madhongi sei vasina kukurwira kuti
usasungwe.."

Instead yekuti ndipindure ndakadonhedza misodzi.


Mai nababa Ropa kunzi vakafa semadhongi here nhai
nhai? Ndakambochema kwekanguvana mukomana
uya akanyarara achibva azonditi,
"Sorry hako Ropa kuti ndikuudze izvozvo asi kana
neni zvandirwadza.. Mai vangu vakafira
muBoterekwa kana wakambonzwa gore
rakabheuka Tombs yakauraya vanhu 48 ndomaive
namai vangu asi baba vangu vakanga vave
nemakore maviri vafa havo nekurwara.."

Ndakapukuta misodzi ndatonzwawo tsitsi kuti kana


naiye Tinashe uyu inherera haanawo vabereki!
Me.. "Shame, sorry hako saka unogara nani?"
Him... "Nasisi vamhamha vangu vakasara
vachindichengeta mushure mekushaya
kwamhamha.."

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 30 -
Me... "Ndine urombo Tinashe nezvakaitika kwauri.
Waita hako wandiburitsa panzvimbo iya. Ndave kumisa
zvimota ndiende kumba"
Him... "Noo Ropafadzo noo! Mazuvano vanhu vane
mweya ufunge.Unobhinyiwa muroad umu wega
usiku huno. Handingakwanisi kuzozviregerera
kana ukawana chinokuwana.. Hande unorara
kumba kwamhamha vangu. Hakusi kure kubva
panapa pedyo. Ndonokusiya ini ndoenda hangu
kuboys kutop uko ndonorara ikoko!"
Hameno chakangondipawo kuvimba naTinashe uyu
and zveshuwa nerima raiveko ndainoburuka ndega
ndofamba nani kusvika kumba. Takafamba kubva
paroad paye takanyararidzana ini ndaitofunga hangu
mufaro unaJanet achiona ndisipo kudai. Takananga
pane kamwe kaimba paitoratidza kuti pane moto
panze. Kahana kangu kakamboda kurova kuti ko kana
pakaungana makorokoza ndikabhinywa zvangu!?
"Maswera sei vaMasivanda"
Akadaro Tinashe uya nenzwi rinemufaro kumudzimai
wechikuru akanga akagara pamoto paya.. Chimiro
chemudzimai uyu paakasimuka achizotichingamidza ,
paive parima zvapo pataive takamira asi ndakaona
kuti chimiro ichi ndakambochiona.. Akandikwazisa
ndokufamba mberi achipinda muchiimba muya.
"Waita hako Mhukahuru wanotora mwana uyu,
waita Zhou kana sadza ndanga ndatotadza
kumedza ufunge."
Ndakambovhiringika ka kuti mai ava saka ndivo
vandiri kufungira kaa.. Patakapinda mumba kunovati
baa palight ndakaona......

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 31 -
End of chapter 4

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 32 -
CHAPTER 5

ROPAFADZO🙎🏻

Pandakanoti baa Mai vaya mumba maive nelight


ndakaona hezvoo zvangu ko zvavari mai vaya
vandakamboona kwatochera mvura zuva riya .. Dai
Tinashe asina kunge andiudza kuti ndimaiguru vake
sisi vamai vake ndingadai ndakafunga kuti ndechimwe
chezvipoko zvanetsa muno muboterekwa zvinonzi
chokuperekedza chero masikati.. Ivo vakatoona kuti
ndavhunduka vachibva vati ;;"wandizivaka
mwanangu takasangana pamvura zuva riye
pawakarohwa nevasikana vaya"

Ndakatarisa Tinashe kumeso ndisati ndavapindura


ndikaona akanditarisa neziso riya raiti
"shuwa here wakarohwa?"
Me... "Eheee mhamha ndakuyeukai makadii
henyu?"
Ndakadaro ndatsikitsira musoro pasi,, zvongonyadzisa
ka kuti ndinzi ndakarohwa..
Her.. "Ndirimupenyu mwanangu. Zuro ndakasara
ndikarwadziwa chose pandakanzwa kuti
wasungwa. Dondiudza mwanangu, naJanet
munobuda muimba imwechete here?"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 33 -
Me... "Hongu"
Ndakashaya kuti ndotsanangura kutii? Mwana
wanhingi akazodai ini ndiri mwana wanhingi akazodai
eboo zvangu simba racho ndariwanepi?
Vakazonditsanangurira mafariro aiita Janet
nekusungwa kwangu asi handina hangu
kuzonyanyobatikana ndakanga ndagara ndaudzwa
naTinashe. Sadza rakapakurwa rakanga rine tsunga
ine dovi apa richipisa zviri pakati nepakati, tsunga
ichiita kakudziya kari nechekure soo! Hama ndakadya
sadza zviya zvekuti kana nyadzi ndakadziudza kuti
"tobatana kana ndaguta"
Ndaive nenzara ini! Apa muriwo wacho
nemakurungirwo awanga wakaitwa mmm
ndakananzva zvimumwe asi ndainanzvawoka zvine
munyati kuti ndisazosara
ndichinyeyewa..Takatandara zvishoma Mai vaya
vachinditsanangurira maitikiro azvakaitawo
nekurasikirwa nemunin'ina wavo kwavakaita
muBoterekwa uye kuti ivo vakanga vakaroorwa
kwaChivi murume wavo akashayawo
ndopavakadzingwa vasina kana chavainacho vachinzi
ndivo vauraya murume nekuti vanoti murume wavo
akangobva kudoro ndokusvikorara haana
kumbozomuka..Rungano rwavo rwaitosiririsa asi
ndakangozviudza kuti ndiyo nhava yebenzi yacho
yataidzidziswa nama'am veShona kuchikoro.. Handina
kuzokwanisa kubvunza kuti
"saka pano ndipo pamusha penyu pakaperera here"
nekuti muchiimba macho hamuna zvirimo kana
mubhedha zvawo vanorara pasi and ndaitoshaya kuti
vanorara sei nemwanakomana wavo mukaimba
imomo.. It's like naTinashe tave mafriends
ndichamubvunza hangu zvese zvandisinganzwisisi.
"Sister Ropa, ndokuonai kwayedza ndaakumbonorara
kuboys kumusoro uko mova neusiku hwakanaka"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 34 -
Akaoneka hake Tinashe mushure mekunge
tambotandara zvishoma.
Me... "Ehoi, ndinotenda zvakare nekundibatsira"

Him... (achiseka) "Tenda mai ivava


ndovandisimudza.. Zvaizoita here kusvika
pamapurisa ndichiti ndatumwa namai?"

Akaseka zvake achimhanya achibuda... Mai vacho


vakasara vachisekerera vakatarisa pamusuwo
pakabuda nemwana wavo. Ndakadzimbikana
nezvandakaona pavaviri ava panguva diki diki iyoyo.
Mai ava vanoda mwana wemunin'ina wavo. Tinashe
anoda maiguru vake and anoratidza kuti inherera
inochengeteka ine respect. Eheee ndodaro nekuti ini
ndombotukwa namaiguru ndichinzi "nherera
hadzina rukudzo hadzichengeteke"
Ndakapiwa mvura inodziya namai vaya ndichibva
ndageza hangu. VaMasivanda vandakanzwa Tinashe
achivadana achidaro.. Takabva tarara apa nekushaya
hope kwandakange ndaita usiku hwapfuura ndakarara
sendadhuurwa zvangu. Ndakatopepuka mumba
matochena. Pandakabuda panze ndichiti ndirohwe
nemhepo ndigoona kurongedzera kuenda kuzvimota
ndakaona vanaJane vachifambisa vakananga kugomo
kwatoshandira.. Ndakatodeedzera kuvakwazisa asi
vakamboti tumbi vakanditarisa vose kunge vaona
chipoko ndokutanga kufamba zvishoma zvishoma
vave kuenda vasina kundidavira.. Ndakaziva hangu
kuti vashamiswa kuti ndiri kutsvakei pamba apa ini
ndakatorwa nemapurisa marimwezuro..
"Ropafadzo;; Mwari havaite mistake sezvatinoita isu
nhaika, havana kana chidiki chavanoita nemistake asi
zvese zvavanoita vanoita vachiziva uye nechinangwa.
Zvese zvakakukomberedza muupenyu hwako
zvakatarwa iwe usati wambova mudumbu ramai vako
saka usapera tariro kana kushora Mwari kuti sei zviri

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 35 -
kuitika kwauri.. Mwari vanoziva mwanangu.
Wakagwinya iwe ndinokuona. Shinga umirire nguva
yaMwari ichakwana zvinopera zvese izvi mwanangu
wanzwakaa?"

Me... "Maita basa mhamha"


Misodzi yakanga yatosvinga mumaziso, ndakanzwa
kurwadziwa chose asi ndakanyatsoona kuti mai ava
vaona kubaiwa kwandaitwa moyo nekuignowewa
kwandaitwa nanaJane. Vanofamba vachindinyeya kuti
ndiri kuitei pamba pevanhu! Mashoko amai ava
akandiyeuchidza mashoko andakasiya ndaudzwa
namama vaBle pakapera nhamo dzanamhamha vave
kudzokera kuZhombe. Ndakapukuta makumbo angu
ndikati ndichifamba kuchiri kuseni babamukuru
vangu vagoziva kuti ndakawanawo vakandiburitsa
muusungwa.. Pandakapedza kuzora mafuta
ndakatambirwa necup yetea nechimodho chavakanga
vabaker madeko wacho ko mumakomo muya marasha
ndeenhamo here? Ndakamwa tea tsvuku bva yainaka
veduwee kudarika yatomwa kwaMarufu chero ikaita
mukaka uchimwa wakagara parimi remoto
inombozonzwika here tea yacho? Ndakatooneka
Tinashe asati auya mai vake vakati atoenda kubasa
anowanzoenda kuma4 kunochera vozoswera havo
vosefa masikati.
"Makaita basa mhamha mosara zvakanaka."

Her. "Ufambe zvakanaka mwanangu. Ndiripo kana


chanyanya kunetsa unongoti pote wozotaura neni
nhaika"

"Ehoi mhamha"
Ndakafamba ndakatarisa kumainroad kunowanikwa
zvimota zvinoenda kumba. Apa zuva rakanga
richitanga kuvhomoka kubuda rakatsvuka kuti piriviri

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 36 -
, kwaibuda nezuva kumabvazuva ndokwandakange
ndakatarisa. Asi kuita kunge hwayi yechibairo
ndakatarisa direction yekwaMarufu?.. Mazuva maviri
iwaya andakamboshaikwa pamba unozodemba kuti
kujere kwaive nani pane kumba kondoenda uku.
Ndakawana chimota ndokukwira hangu.
Pandakasvika patosiburukira ndakangobuda
muchimota ndakananga nzira yekumba
ndopandakanzwa izwi rakadeedzera kuti.....

VAMARUFU

Chair yandakanga ndakagara yakaita kunge yamera


zvipikiri zvaindibaya baya kumagadziko uku
pandakanzwa Chido achiti,
"Aah parira pemba handina kumuona ini, ndanga
ndichida kumuudza kuti atize asi ndazongoona
okandwa mumota yemapurisa. Asungwa Ropa
baba atove kuShurugwi soo!"

"Asungwa Ropa vanhu vese vachiona, nhasi anonorara


mumagumbeze azere inda. Kana adzoka
haambomurari mumba mevasikana umu anotorara
mutsapi hatidi zvekuzadzwa...."

Chokwadi haana kuapedza mashoko ake iwayo Jane


ndakaregedzera tsvimbo yangu kwaibva inzwi rake
ndikanzwa nechimugomo chemvura chaive pamoto
choti bvoo muchoto ndikaziva kuti pane arovera
papfihwa chete. Pakatevera mhere yaivo mai vacho
vachiti vatsva nemvura uku Jane akanga
achibararadza achingoti "musoro wangu mhamha"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 37 -
Me.. "Pfutseki !!! Uri dhumukwa remwana iwe, Ropa
aikupa hembe nebhutsu pano vabereki vake
vachivapenyu ndiye mwana waungarega
achisungwa uripo??? Kwaregerei kusungwa
Chido?? Handiti unenge wakamutarisa,
muchatambura vana imi kana muchiona sekuti
Ropa achafa arimuranda pasi pano.. Upenyu
iboterekwa muzive izvozvo. Ivhiri futi upenyu uhwu
mangwana mucha...."

"Haaa nemiwo baba , ipapa matipisireiko


muchikuvadza mwana ? Ko maidii kumuudza mwana
wenyu iyeye nguva yose iyi kuti pemba inoreva dhenja
zvomondipondera mwana pano??"

Vamarufu... "Nyarara iwe kana ndichitsiura vana,


usaita sekuti pakavigwa maiRopafadzo wakanga usipo.
Wakavaona vakabereka mwana kumusana muguva?,
handiti vakangoenda vega vakamusiya Ropa uyu?
Uchafa! Varikudzidzei vana ava? Unovabereka
ukavigwa navo? Funga mhani zvauri munhu mukuru
wani?"

Ndakanzwa vati zii mai vacho ndikaziva kuti


vachamboteerera marwadzo nemashoko zvese!
Chokwadi dai ndaiona hapana kana aiparara pamba
ipapa kana sadza harizaibikwa ndaimuka chipembere
chaicho vanhu vepi vanoitira mwana akaita saRopa
utsinye hwakadaro? Ndakarwadziwa zvekuti kana
sadza ravo ndakabva ndariguta, vatakati mai nevana
unoisirwa poison zvako munhu ukafa uchifufunuka
matumbu.Ndakasimuka ndokutora mudonzvo wangu
ndokubuda ndoenda kudare kwangu kunorara..
Ndakakiya musiwo ndokubudisa mari yaive mubhachi
mangu yandakapiwa naRopa ndikawana iri8us..
Ndakapunyaira neshungu kuti ndiribaba rudzii
vanotadza kunodzikinura mwana wemunin'ina wavo

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 38 -
pakadai.. Ndakapinda mugumbeze hope
ndokuzondibata ndichingotaura ndega kuti, .
"Dai makatora ini Mwari!, tarisai
ndirikukundikana kubatsira mwana waPedzi.
Chimuchengetai hake kujere ikoko ndichatsvaka
mari kana kwayedza"

Dzakangozondiba hope...
Mangwana acho ndakasara ndomuka pachivanze
pasisina kana munhu. Vasikana ndakaziva kuti
vatoenda kunotsvaka mari dzavo avawo mai kana
vakatsamwa ndovaziva, gandiwa chairo vanosakura
kupedza kuti tsvai vega. Ndakaziva kuti varikumunda
vandisiya ndega kuti ndimbosokwa nayo nzara..
Ndakagara zvangu pazuva ndakateerera kunzwa kana
pane andinganzwa kutaura sezvo pedu pari panzira
yokuenda kuzvitoro.. Zuva rakapisa ndakangogara
pasina apfuura.. Ndakachinja ndikaenda pamumvuri..
Ndichangogara pamumvuri ndopandakanzwa munhu
akati
"tisvikewo?"

Me.."Svikai ndiani uyu?"

Voice... "Ndini sekuru matomuka sei pano?"

Me.. "Aaah Muganhu muzukuru waita ukauya ndanga


ndichitoshaya kuti ndodii ipo pano."

Him.. "Ndasimudzwa nenyaya yandakanzwa


nevana madeko kuti mainini Ropa vakasungwa
kuBoterekwa uku, mambonzwei nezvavo"!

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 39 -
Me... "Handina muzukuru. Hapana kana aenda
Shurugwi , vakangoenda kucourt mainini vako
havadzoki.haagone kutaura Ropa haazvizive izvi.Pane
nhamburiko dzaunadzo here ini handina mari ndine
8dhora yandakapiwa naRopa chete zvino kuya vanoda
mari"
Muzukuru... "Musazvinetsa sekuru , ndanga
ndichingoda kunzwa kana pane avatevera asi sezvo
nguva dzafamba kudai ndovatevera zvangu mangwana
ndinouya navo"

Me.. "Waita hako mwana wehanzvadzi yangu.


Waita Humba urambe wakadaro"
Him.. "Zvakanaka sekuru regai ndimhanye ndasiya
pamunda pega ndanga ndakarinda hangu tsoko"
"Zvakanaka muzukuru"
Ane moyo wakanaka fani mwana wehanzvadzi yangu
uyu ndiye munhu oga muno mumusha anonzwisisa
upenyu hwangu.. Ndakaswera ndisina zvangu kudya
ndakazvigarira pamumvuri asi ndainzwa kuguta kuti
mwana wangu awanawo achamutevera mangwana.
Zvevava mai kanavanobikira kumunda vachitsiva
zvimvura zvakavatapukira madeko ndezvavo havo
ndingavadii?
Mangwana acho zuva richangobuda ndakanga
ndatomuka ndagara panze ndamirira kuti ndichanzwa
muzukuru oti ave kuenda Shurugwi sezvo akanga
andivimbisa kuti achandioneka kana oenda.
Ndakanzwa vanhu vaitaura vachisvika pamba.
Ndakadzisimudza nzeve ndanzwa izwi rakaita kunge
raRopafadzo aitaura nembwa dzaihukura vaenzi ava...
Izwi rakati tisvikewo ndakarinzwa kuti
nderemuzukuru asi ndisati ndadavira ndakanzwa
kumbundikirwa nekumusana uku ndakagara kudaro
ndikanzwa ropa remwana wangu chairo..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 40 -
"Aaah Ropafadzo mwanangu wauya? Ko mwana
wako anga atosvika Shurugwi here mangwanani
akadai?"

Muzukuru... "Kana sekuru, ndanga ndave kutomisa


zvimota zveShurugwi pandaonawo mainini
vachiburuka"

Me.. "Ndine urombo Ropa mwanangu


nezvakakuwira, zvino vazokubudisa havo?, Inga
Mwari vakanaka "
Her.. "Ndakabhadharirwa mari nevamwe mai
vatoshanda navo kuBoterekwa uku ndovakatuma
mwana wavo akanditevera kuzonditora zuro.. Akasvika
kwadoka ndikatozorara kumba kwamai ivavo.
VanaJane ndavaona kuseni vachitodarika pedyo
nepamba pacho ndave kutouya asi vandiignowa
pandavakwazisa"

Ndakanzwa kushungurudzika nemarwadzo aive


muzwi rake ndikazhurukuzha pandakange ndakagara
ndongonzwa kunge pane majuru arikundiruma dziri
shungu dzekuti dai ndaionawo ndaibatsira mwana
wangu neimwe nzira kurerutsa upenyu hwake!.
Zvokwadi mwana kubatsirwa nevatorwa kunge asina
hama kudai? Upenyu hworwadza zvamunoona..
Muzukuru.. (achitaura nezwi riripasi)
"Nhai sekuru manga madii kuti mainini Ropa ava
vazogara havo kumba kwangu zvavanowirirana fani
namai Shelly moti mwana angagara pano panopisa
kana imi munhu mukuru here kudai pafungei sekuru"
(Akataura muzukuru akarerekera musoro parutivi
kunge sekuru vacho vanoona kushungurudzika
kwaaive nako..)

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 41 -
Me.. "Aaah kwete muzukuru, kwete ikozvino. Rega
ndimbomuonawo mwana uyu, kana ndichinge
ndazoona zvazonyanya ndomusunungura hangu ko
ndiye adiiwo. Parizvino pachiri patete ndingaita
kunge ndakurumidza kusurrender mwana.
Ndomboedzawo masimba angu semurume ndoona
kwazvosvika..
Panguva iyoyo takanzwa mai Marufu vobuda
nepacorner yeimba ende vairatidza kuti vanga vamire
vakateerera zvatanga tichitaura.. Vakangotanga
nekuhumana hanzi......"…….”

End of chapter 5

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 42 -

CHAPTER 6

MAI MARUFU
Makare kare taive shoroma dzaiverengwa mufunge
tichigara Mberengwa kwaMataga ndiko kumusha
chaiko kune dzinde ranavaMarufu neimwe mhuri
yavo. Ini ndakaroorwa ndiri muroora wepiri
mumusha, maiguru vakuru vaigara Bulawayo
nemurume wavo. Peak mine yakanga ichishamisira
zve makore iwayo kunzwika kuti unoshandira kuPeak
mine? Abel Marufu aifamba achitevererwa nevasikana
nekuda kwekunhuwa mari kwaaita mwanakomana

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 43 -
wevanhu. Mumusha tisu takanga todzidzisa vamwe
vanabamudiki vadiki ava kusanganisira naPedzi uyu
wazodai kupararira muBoterekwa nhasi uno uyu.
Mumusha mukafiwa tisu taisenga nhamo kusvika
munhu avigwa. Vamwene vedu vaive neutsinye and
kuenda kumurume ndaisabvumirwa ndaingogara
pamba ivo ndivo vaitoita kunge murume
wandakavinga. Vanabamukuru veBulawayo hapana
chavaiona kazhinji vanenge vasipo pamba vachingoti
zvunhu zvakaoma vachizvidyira mari dzavo.
Zvaindirwadza hama kuti unotadzawo kudya
tunonaka wakarinda vamwene pamba pavo kunge
vakapavakira iwe. Hapana chataiita nemari mai ava
ndovairongera mari yedu. Gore randakazoita pamuviri
pemwana wedu wekutanga ndopandakazotorwawo
nemurume ndokuenda Shurugwi mushure mekunge
ndaita mazuva ndichinyepera kurwara nenhumbu.
Vamwene vakasara vakadira saRunde kuri kutsamwa.
Ini kukura kwangu kose handina kumbogara kutown
ndaingogara kumusha and Shurugwi yakatondiitira
kunge ndasvika kuparadhiso chaiko. Upenyu
hwainaka mhani tirimo muziimba rebasa tirivaviri
nemurume wangu zvunhu zvese arimahara, ko Peak
mine yaisupplier vashandi chikafu chemwedzi wese
apa mari waizoti imari here iyoyo.
Mwedzi yakafamba ndikabatsirwa mwanakomana
wedu wedangwe baba vake vakamutumidza kuti
Denis. Upenyu hwakawedzera kunaka baba
vachifarira mwanakomana. Kumusha kunosakura
ndakanzi ndozoenda kana mwana atikurei. Ndiani
anoramba kugara nababa mujinga. Abel raive
gentleman zvekuti ndaitotyira kumuka ndave mvana
mufunge murume atorwa nevanogona..
Vamwene vakazoduruka muShurugwi kunge mvura
yemurukova vachinyepera kunge vazoona mucheche..
Pasina mazuva maviri vakangomuka vachirongedza
mabag emwana ndokunditi rongedza bag rako
tidzokere kumusha toita chivanhu chekugadzira

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 44 -
mwana nhova.. Murume akaramba neni kuti hazviite
kuti ndiende aimboda kuona mwana. Vamwene
vakaita drama mukomboni vanhu vakaokera..
Vakatozoita zvekudzingwa nemwana wavo
ndokukwesvaira vachienda kuMumvuri kurank
yemabhazi anoenda Mberengwa. Nekuona zvainge
zvaitwa navamwene vangu , amwe mamai ataigara
pedyo nawo akatanga kuzvishamwaridza neni
vachindipa muono wavo nechiitiko chavaona. Vamwe
vaiti usadzokera kumusha gara nemurume muno
mukomboni kusvika vamwene vafa.. Akataura
zvandakanzwa ndeakati tamai munovakira kure navo.
Abel aindida uye aiteerera zvese zvandaitaura.
Ndakamuudza pfungwa yekuti titame tivakire kure
nanavamwene akabvumira mudenga.
Ndopatakatsvaka stand kuUnki mine tikaiwana uye
takazopedza kuivaka tatove nevana vaviri Denis
naJanet..
Upenyu hwakachinja kumatongo kuMberengwa vana
vakatanga kuregeswa chikoro vachienda kumabasa
vachiri vanana nekuti isu yedu mari yakanga
yowandirwa. Pavanin'ina vatatu Abel akatora
umwechete anova Pedzi akati anoda kuti aenderere
mberi nechikoro tichigara naye. Ndakabvuma nekuti
babamudiki Pedzi ndaivafarira uye vaitumika.
Bamudiki Pedzi takagara navo kusvika vazoita minana
yekumitisa mwana wevaridzi vasati vapedza chikoro.
Ndopakaperera rwendo rwedzidzo yavo nekuti
vakanga vozoita baba saka mhuri inoda kushandirwa..
Ndini ndakava vamwene kumudzimai waPedzi nekuti
kumusha kuMberengwa akangoenda kamwe asi Pedzi
aisada zveMberengwa. Basa rakanetsa kumuka
kunaPedzi. Pane sipo futa rekuzora chimwe chiiko
ndini ndaimira pamudzimai waPedzi. Tainzwana
namainini vangu ava uye vaitogara zvavo kumba
kuUnki nemwana Denis akanga ave kuenda kuchikoro
ini ndichirera Janet nababa kutaundi.

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 45 -
Zvunhu zvakachinja pakawana Pedzi basa kuGweru.
Akabva atora mudzimai wake ndokunogara naye.
Pachinhambo chekutumira mari nechikafu kwatiri ivo
vaitumira Mberengwa. Hazvina kundibata mushe
nekuti mudzimai waPedzi aida kuzviita good munhu
ini ndichishorwa. Kumba kwedu vakanga vongouya
apo neapo. Ukuwo kuMberengwa vana vese vakapera
kuenda kumadhorobha, kuroora nekuroorwa
vamwene natezvara ndokusara vave vega apa zera
vanga vazokwegura manje. Tezvara vakarwara
ndokufa kukasara vamwene vega asi ini
ndaitoshuwira kuti vamwene vatange ivo kufa.. Abel
akandinyengerera kuti titore vamwene tigare
navo.Pamakore aya ndopakabva mudzi
wedambudziko, Abel akabva aputikirwa nehora
kubasa ndokuita bofu zvekushanda zvikadirwa jecha..
Mari vakapiwa dzakawanda chose dzekuzvibatsira
vachirapwa vagere. Upenyu hwemudhorobha
hwakaguma ipapo ndokutakura mukwende
ndonogara kumusha kwaive navamwene nemudzimai
waPedzi. KuUnki ndorwakatova ruzevha rwemunhu
wese nekuti kuMberengwa kwakanga kusisina munhu.
Pedzi aitumira mari kumudzimai wake asi aisandipa
kuti ndiite zvirongwa ini munhu mukuru. Takatanga
kuvengana nekusagarisana zvakanaka kusvika
aendawo kumurume wake..Pakaita makore
tisingataudzane namainini kumusha vaingouya
kuzoshanya vachiona vamwene vavo vodzokera..
Pedzi akaita makore asingauye kumusha uye
takazonzwa kuti vakanga vave nemwana uye vogara
kumapiripiti kunanaZhombe uko ini handina
kumbotsikako , mwana Jane ndiye wavaimboenda
naye kana iri holiday mainini vaiuya vomutora.
Mudzimai waPedzi ndakanga ndomuvenga
zvakanyanya ndoona kunge ave kubudirira
kundidarika apa ini ruzevha ndorwave rwangu
ndichichengeta bofu navamwene mukweguru...
fast forward

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 46 -
Nhamo yakatanga kutirova tirimo muruzevha, mari
yababa yaimuka yakadonha vharu zuva nezuva apa
vamwene vainge vorwara.. Vana tainge tave nevatatu
asi vatoyaruka.. Vakatanga kupindawo muBoterekwa
munoshandira dzimwe pwere dzichirarama. Denis
aitoita kugarirako ndokungoguma kumuona
kwatakaita kuda akapondwa akakandwa mumigodhi
tichaziva? Vana vangu Jane naChido ndivo vave
vachengeti vangu. Mari yababa vavo angove mangai
haichashanda.
Kufa kwavamwene ndopakauya Pedzi nemudzimai
wake avo vakazenge vatove zvavo nematumbu emari
chaiwo.. Takangonzwa kuti vanga vatenga stand
yekuvaka hamheno kupi ? Takapedza kuviga vamwene
avo vakatakurwa vakanovigwa kuMberengwa..
Takadzoka tese nanaPedzi vaitomhanyira mwana
Ropa wavakasiya hameno wavainge vasiira. Chokwadi
ndechekuti handina chekuita nezvakaitika
muboterekwa. Takangozoona mapurisa ouya
achitiudza kuti Pedzi nemudzimai wake vafira
munjodzi yaitika muBoterekwa.. Imagine ndochengeta
nherera pamusoro pekuchengeta baba vake
kuvaendesa kuchikoro kuchengeta mai vake
semuroora wangu asi kana dhangi yandakawana
hapana.. Ndakaedza kuonesa baba ava kuti mwana uyu
ngaaendeswe kunochengetwa nherera vakaramba
vachiti vanozosvorwa nenyika.. Ndakanzwa kutsamwa
zvekuti dai ndine uroyi aitevera vabereki vake mwana
iyeyu. Upenyu ndohwandakaona huchamutwasudza
achangwara hake uye muBoterekwa mooswera
vanaJane umu achapiwa rumimba ndomudzinga pano.
Ini handichina kana dambudziko ndave
pamudyandigere vana vangu vave kundishandira
ndichizvidyira.. Vakazvibata futi vana vangu
havafambi vachipekurira vanhurume hembe
Kuvapo kwaRopa mumusha kwakawedzera
kusanzwana pakati pangu nabamukuru vake. Nhai
ungangoda kuunganidza vanhu mumusha iwe
usingashandi uye usingaone ?

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 47 -
Ndakafara paakasungwa Ropa ndakati haachadzoki!!!
Handina kuda kuswera pamba ndichirapa moyo
wababa vaitsva nekusungwa kwemwana wavo ivo
vasina herepu yekumupa vachingoshinyira vagere.
Ndakanoswera kumunda zvangu ndikati ndodzoka
manheru.
Maheu akapera masikati ndikati rega ndimhanye
kumba ndowedzera maheu ndopandakawana
kuchitaurwa mashoko akaipa fani! Ndakagara
ndazviona kuti Muganhu muzukuru uyu inyoka chaiyo.
Nhasi uno nekuti Ropa ogona kutsvaka mari nevamwe
vave kuda anoshandira mai Sheri ini ndakadzidzisa
baba vake ndowanei pazviri??.
"Ko iye Ropa aburitswa nani kumapurisa"
Ndakazvibvunza ndakati kwati nemadziro hangu
ndichiteerera zvaitaurwa. Ndakazobuda ipapo
nehasha ndichibva ndati,
"Muganhu uzive zvekuchengeta vana vasiri vako
kumba kwako uku wanzwa kaa!"

Muzukuru... "Aaah mbuya mungataura sei mashoko


akadaro munhu mukuru akaita semi?"

Me... "Usade kuzviidza unogona kuchengeta zvikuru


nekuda kwekushamisira uchichengeta makora amai
Sheri. Wodei apa? Kushandirwa naRopa uchidya
nemukadzi wako makarara? Wakadii kumutora zuva
rakavigwa vabereki vake. Womuda nhasi apedza kudya
sadza randinorima pano?? Unondidzosera here zvese
zvangu zvaakadya kubva zuva ravigwa vabereki vake"?

Him.. "Sorry henyu mbuya ndafunga kuti ndiri


kugona pakubatsira mainini Ropa ava.
Mundiregerere mbuya. Sekuru mosara zvakanaka"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 48 -
Akakweva majombo ake Muganhu onanga kumba
kwake. Nxaa nhai! Kuda kufamba uchizviita
muyananisi mudzimba dzevanhu iwe usina mwana
kana umwechete uchichengeta vana
vevamwe?Pandakatendeukira kunaRopa kuti
andiudze kwaari kubva ndakaona misodzi yatosvika
muhuro kuda aichemera kuenda kwamai Sheri.
Me. "Iwe urikuchemei? Urikutsvakei pano futi masikati
akadai vamwe vanana varikubasa? Wakanyepera
kusungwa uchinorara nemapurisa muShurugwi umu? ,
dondiitira kapu yetea nechingwa chawauya nacho uti
wanzei shuga nditotapirirwa zvangu"

Ndakadaro ndichigara pakati pechivanze kure nababa


ava ndaitya kukaruka ndaberetswa tsvimbo..
VaMarufu... "Unonzwa sei mai Denis kana
uchingovhiringa vanhu zvakadaro? Chii chawanga
uchitaura kunaMuganhu mukadzi mukuru akaita sewe
kudai? Mwana anga akasungwa akatobisirwa mari
nevatorwa ndiye waunoti anga anohurira chingwa
hindava uchiita zvakadai iweee! Sadza raanodya ndiro
raune basa naro kugara kwemwana zvakanaka haunei
nako?"

Me... "Imi nyararai mhani , ini ndini ndichasara


nemusha nemhuri pano imi musisipo pano"

Him.. "Ndaendepi?"
Me.. "Mapepa akangouya atakaapuraya kuJairosi
Jiri motozosengwa moenda kunochengetwa vakaita
semi kudai.. Hatingazvigone zvekupondwa
netsvimbo pano tichidirwa zvimugomo zvemvura
inopisa. Mukangoramba munosungwa!"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 49 -
Ndakaona munhu achisimuka ndokutanga kudzana
dzana akamira panzvimbo umwechete..
"Zimuroyi zimutakati rapedza vanhu! Uriani iwe unoda
kundibisa pamba pangu ndichinogara kunogara vanhu
vasina misha vasina hama"?

Me.. "Imi zvamune musha makapedzisira riini


kutenga munyu pano? Mune hama dzipi
dzatisingaone dzichikushanyirai pano nemota
vakazadza mota nemagirosari?"
Him... "Vanin'ina vangu vanondida asi vanouya sei
pano neutsinye hwako ihwohwu? Wakasikwa sei
chaizvo?"

Me... "Mirirai zuva renyu rekuzotorwa moenda


Bhuruwayo uku regai kutinetsa. Bofu ngaridzikamewo
kwete zvenyu zvokuponda vanhu pano. Nhaiwe
Ropafadzo douya netea yangu uwanze majarina
chingwa choo!"
"Rega kuomesera mwana mhani chingwa cheikoo
unoda anochiwanepi chingwa mirira mahure ako
vanaJane vazokutengera kwete kuda kunetsa
mwana wangu"
Ndakaseka kugegedzera zvangu nhamo serugare.
"Kana mota inozokutorai yauya musamusiya
mwana wenyu muende naye monogara mose
kumapofu nezvirema ikoko!"
Mumba ndaisaona kupwipwitika kwemoto kana
kuratidzawo kuti mune tea iri kubikwa. Ndakasimuka
ndokunopinda mukitchen ndichida kuona kuti Ropa
aiitei? Ndakawana madota akangozara muchoto
mumba musina munhu.. Ndakabuda nehasha
ndichishaya kuti mwana wembwa uyu aendepi ini
ndamutuma ?

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 50 -
"Ropaaaa!! Ropafadzo iweee dokasira kudzoka pano
handidi kukutevera !"

Ndaidana ndichinyatsomuona Ropa achikwidza


chimukwidza chinoenda nekumunda. Ndakashaya kuti
arikuenda kupi mwana iyeyu.
Zvamunoona nherera hadzichengeti mufunge...
"Mwana iyeye akatetereka nenyika akasadzoka
pano newe unobva pano!"
Vakadaro vaMarufu vatosimuka vatarisa kwaidana
Mai Marufu vakatarisa. Vakaedza kudana
mwanasikana wavo asi haana kudavira. Ropafadzo
akanga achizviuraya nekupfikura achingotetereka
akananga kwaaisaziva kuti aiendepi..
Mai Marufu vakasara vachidzana dzana nehasha
vachinzwa kuti pavanobata Ropafadzo vanoda kuita
wekutsenga tsenga nemazino chaiko.. Zuva rakadoka
vakabika kudya kwemanheru Ropa haana kudzoka.
VaMarufu Havana kupinda mumba manheru aya
vakanga vakangogara panze vakamirira kudzoka
kwaRopa asi haana kuuya. VanaJane vakasvika kuma8
usiku ndokuudzwa namai vavo zvaitika kuti vazowana
Ropa asipo kudai ndopavakaudzwa naJane kuti
vasazvinetsa havo Ropa a..... "

End of chapter 6

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 51 -

CHAPTER 7

JANET

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 52 -
Mumoyo mangu ndakazviudza kuti Ropa
achambonogarawo kujere timboita mari. Nhai ndiye
ave kutozviita muridzi weBoterekwa achishanda
samises achipiwa mari yemahara.Mabasa ake iwayo
ndoandaitoda kusara ndichitora asi zvimwe zvunhu
zvogumbura mufunge. Vese vaaishandira vaiita kunge
vasingatione kutomirira iye chete kuti adzoke
kuShurugwi vazomupa mari yemahara..
Ndakavhunduka kuona Ropa aripamba panaTinashe..
Tinashe kubva kare aingotarisa neziso rekundida kana
neni ndotomudawo asi kuti ndanga ndakangomirira
kuti akande shoko ndigomuudza kuti neni
ndomudawo.. Manje kuzoona Ropa achizviita muroora
kuseni seni pachivanze panaTinashe ndakanzwa
nyon'o kusimuka..
Handina kunoshanda zvakanaka ndaive nehasha..
Ndakazoti ave masikati ndokuona Tinashe akabata
bucket achinochera mvura. Ndakamhanya
ndokumutevera ndakabatawo bucket. Paakacheuka
akatanga kufambisa nechemumoyo ndikati nhasi
unotondiudza chete kuti Ropa akasvika sei pamba
penyu.
"Wakadii hako Tinashe ?"
ndakataurawoka ndakadzikamisa inzwi kuti
ndisadirwa mwando.
"Hesi Janet"
"Ndofara hangu, ko wadii kundipa ndakucherera
mvura handiti ndobasa ratavinga here?"
"Ko ini ndine musoro wemhungu here nhai Jane
usingatakure bucket"
"Handina kudaro Tinashe ndangotaurawo hangu..
Ko Ropa ndamuona kumba kwenyu anga achiitei?"
"Akauya madeko namhamha vakanomutora
kuShurugwi saka hwanga hwave usiku akarara kumba
but ndofunga parizvino atoenda"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 53 -
"Mhamha vako ndovakanotora Ropa kuShurugwi
pakayi?"
"Jane, Jane handisi padare pasabhuku pano
pandofanira kupindura mibvunzo yose. Waida kuti
avorere Shurugwi kuti mhosva yake ndeyei? Kana une
problem nazvo enda unofa kwete kuda kundinetsa"
"Sorry hako ndanga ndangoti ndikuyambire
nezvaRopa uyu kuti..."
"Famba ubve pano Janet. Munhu anoda kuyambirwa
ndiwe! Ropafadzo munin'ina wako uya asi unorwa daka
hameno kuda nderevabereki vako kana chii
ndozvishaya. Uchamupfugamira Ropa rimwe gore
ndokuudza. And kukuudza chokwadi Janet nemabatiro
aunoita Ropa vanhu vazhinji muno tave kukuvenga,
kunyanya ini handitodi kana kufamba nenzira
yawafamba.."
Tinashe akabva afuratira ndokudzokera akarembedza
bucket risina chinhu. Nhai ndakaridza zitsamwa chairo
kunge reimwe mai yandakamboona mutv manaRopa
kuchinzi ndeyekuNigeria. Ndaitoda kubatsira iye kuti
akaita zvekupota achibvumidza Ropa kuuya kumba
kwavo anopedzisira atizirwa naRopa ko
dzakakwanawo here paya?
Zuva iri handina mari yandakashanda ndaingoshaya
mabasa asi vamwe vachishanda. Ndakarwadziwa
neumwe mukomana akandipa basa, ndave kutoenda
kumvura akanditi
"gara hausiwe unonzi Janet here muzukuru
wasatan watongonzwa nembiri? kamutakati
kechidiki ibva pano!"
Ndakakwesvaira ndichinogara pamumvuri zvangu
ndikangozviudza kuti Ropa anobhadhara zvese izvi!
Manheru patakasvika kumba Ropa aisavapo.
Takatsanangurirwa namhamha kuti vamuti avabikire
tea iye akatotiza.. Takambotarisana naChido ndichibva
ndati, " musazvinetsa mhamha Ropa atizira umwe

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 54 -
mukorokoza anogara kuBoterekwa uku pedyo
nepatoshandira ndokwaakarara nezuro tatomuona
kuseni"
Mhamha vakakanuka vakati
"ndakazviziva ini kuti hapana kana kusungwa
kwaakaitwa. Kapfambi ndozvakaidzidziswa na...."
Mhamha havana kupedza kutaura baba vakakaruka
vapinda mumba ndokutanga kungotirova tose
vaingodira tsvimbo kwavari kunzwa voice remunhu
richibva chete apa vakativharira kumusiwo. Ini
ndakarohwa netsvimbo pabendekete apa ndikanzwa
sendapuduka chaiko.. Takazozvibatsira nekunyarara
ndokubva tanoungana mukona imwechete.
"Ndichakupondai mazuva ose kusvika matevera Ropa
auya pano. Mwana akabatsirwa nevatorwa imi moti
ndokwaatizira zvimbwasungata zvevanhu. Kana
muchizviudza kuti ndichabva pano ndonogara
nezvirema nemapofu murikuzvinyepera. Ndiripano and
kana muchida ndichakupondai mazuva ose kusvika
mati mumuforo pindikiti sacharuveki"

Takazopoya poya tobuda taona vagara pasi


vachifemereka. Chokwadi baba havarevesi, madiro
avanoita Ropa vanoita kunge ndiye mwana wavo
chaiye..
Takarara tave nemafindifuva ekurohwa.. Mangwana
acho Chido akamuka achiti haasi kuenda kubasa
nekuti vanhu vanotisvora nekusungwa kwaRopa. Ini
ndakangozviudza kuti kwachopisa ikoko
ndokwandinoenda. Takamuka veduwee kuda kuma3
nevamwe vangu tikavuvurika murima kuenda kuroad..
Chimota takachiwana tanzwa nekumira paroad apa
tainge tambozviudza kuti nhasi takasira kunotanga
basa.. Ndakatsanangurira shamwari dzangu kuti Ropa
haako kumba akatiza kutumwa kubika tea namhamha
vakakuvara havo nekuseka. Izvowo zvosetsa henyu,

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 55 -
tea mvura yabhoila, masamba neshuga ndozvingaite
kuti munhu atize pamba???
Takasvika kubasa ndokuwanawo vamwe vaida mvura
kuchiri kuseni. Takamhanya zvedu kuenda kumvura
ko handiti kuseni simba rinenge richipo?
Patakasvika pazidombo patochera mvura
takavhunduka kuona......"

ROPAFADZO🙎🏻

Ndakazviziva hangu kuti maiguru mashoko avanzwa


vakavandira pakona yeimba ava kaa ndochiona
zvangu. Bamukuru nababa Shelly havana havo
zvavangaita asi umm mashoko avakataura kunababa
Shelly akandibata pamoyo chaipo.
Ndaingonzwa kuti kune vamwe vanhu vanosiya moyo
mutoilet kana vanozvibatsira vouya vakatakura ndove
muchifuva. Imagine veduwee kuti ndakarara
Shurugwi ndakasvunura moti inyore here kurara
kujere zera rino asi munhu onditi ndimubikire tea
nechingwa chandabva nacho. Kana mazogara vanamai
zvinonaka mutarise kwazvobva kwete kungoti mwana
akangopinda muchimbuzi kubuda kwake motoda tea
nemajarina. Ndakarwadziwa mufunge.. Apa
chakanyanya kundirwadza pandakazonzwa
bamukuru vachinzi vanoendeswa kuJairosi Jiri.
Imagine zvese izvozvo pamusana pangu ini
Ropafadzo.. Ndakambogara pabhenji mukitchen
ndikachema ndikati
"mai nababa Ropa , ichokwadi here chainzi
chaitaurwa naJane kuti makafa semadhongi
hamugone kana kundibatsirawo ?.. Chingwa
ndochiwanepi ndakarara muusungwa nhai?, ko
majarina acho arikudiwa? Handichabate hangu
yekuti muno mumba mandiri kunzi ndibike tea

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 56 -
sugar yacho hamuna.. Mati ndadiiwo veduwee
nditarisireiwo inga maingondida wani zvakachinja
papiko?"

Ndakazoona kuti kuchema ndakagara hakubatsire


nekuti mai vaya vakapinda mumba muno
vanondiponda chero nechavabata chiripedyo
navo..Nekuona kuti hapana kana plan yandingaita
yekuti ndimere chingwa, sugar nemargarine
ndakasimuka ndokubuda neseri kwemba kune guva
ramhamha nababa vangu ndichibva ndambomira
ndakamatarisa makuva ndikati , "mosara henyu
zvakanaka mutarisire bamukuru vachasara
vachindichema ndiri mupenyu. Ndaterereka nenyika ini
ndaenda, kana dziri mhuka dzesango ndave kudzivinga
musango madzinogara"

Zveshuwa ndakabuda ndokufamba ndakananga


kwandaisaziva. Ndakangokaruka ndave muroad
kwatokwirira zvimota tichienda kubasa ndichibva
ndagara pamumvuri pazimuti riripo sezvo kwaipisa.
Ndakambofunga Empress ndikati ndoteverwa
ndikauya ndikapondwa zvangu handiti vanokuziva
vakamhanyako kunotengesa zvunhu zvababa vangu?
Ndakafunga kwavaMasivanda vakati kana ndine
dambudziko ndiuye ndikati bodoo handidi kuvengesa
vanhu bamukuru vandavengesa vakwana. Kamwe
kamota kakasvikomira ndichibva ndangosimuka
ndokunopinda mukati. Ndaive ne$3 yandakapiwa
namai vaTinashe kuseni ndichienda
kumba.Ndakanoburuka patosiburukira nanaJane asi
panguva iyoyo zuva rakanga radoka. Ndakangoti
kwidze kwidze ndokuzvigarira hangu muzvimuti
ndakarindira kuona vanaJane vachipfuura kuenda
kumba.. Vakatodarika ndapedza kugadzirira
pandaizorara.Munerimwe gomba rakanga rakati
dzikei uku mukati rakanga rakacherwa rakanoti
vhurikei zvekuti ndinotorara kutambarara makumbo

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 57 -
chaiko. Ndakabva ndatosiya jacket rangu imomo
ndokumbonogara hangu kunze. Ndakanyahwaira
usiku ndokunopinda mugomba muya ndokurara.
Ndakarara kudaro ndainzwa kunge pane munhu
akagara parutivi pangu akanditarisa. Ndikapepuka
ndaiona ndichingova one mugomba muya.
Mambakwedza hameno kuti ndairota here asi
ndakaita kunge pane arikundioneka kuti kwayedza
ave kuenda. Pandakapepuka ndakaona pasina munhu
uye ndakarangarira mashoko ekuti kwayedza.
Ndakanhonga jacket rangu ndokupfeka apa nevhu
dzvuku riya ndaiita kunge chigure. Ndakakwidza
kuenda patoshandira paive pedo zvekuti usiku
ndaitonzwa vanhu vachiita musindo vakomana
vanogarira ipapo. Ndaida kutanga nekuenda kumvura
kunogeza kumeso asi ndakabva ndaonekwa nevamwe
vanababa vechikuru vaichera pandakapfuura napo
ndikanzwa umwe wavo oti ,
" inga unomuka zimhandara watouya kubasa?
Ndokumbirawo undiwachirewo madhende angu
aya nhasi ndoenda kumba kunoona mhuri
mwanangu."

Baba vaya vakanditambidza $5 vachibva vandipa


hembe dziya vakandiratidza mvura yakanga iri
muzvigubhu vakati ndishandise iyoyo sezvo
kunocherwa mvura kwakanga kuchakasviba kuenda..
Ndakawacha veduwee hembe dzababa vaya dzaive
shoma hadzo asi chivomvo (ivhu dzvuku/mhukutu)
ndoyaive tsvina yacho. Pasina nguva ndakapedza
vakati ndozodzisukurudza kana ndazochera hangu
bucket remvura kwachena. Pakwakatanga
kuonekerawo pekutsika ndakaziva kuti vanaJane
nguva yavo yokwana yekuuya kubasa and ndaisada
hangu zvekutaura navo. Ndakanhonga bucket
ndokunanga kumvura. Ndichangoti pote ndakaona
Tinashe arimumashure mangu.. Ndakabva ndatomira
nekuti ndakaziva kuti atevera ini sezvo ndirini ndega
ndiri munzira yekumvura.
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 58 -
"Ropafadzo wauya nani nhasi vanaJane havasati
vasvika"
"Wamuka sei Tinashe ?, vakadii mhamha vako? Ndauya
hangu ndega"
Ndakadaro ndaakutofamba Tinashe achitevera
mumashure mangu takananga kumvura..
"Ropafadzo , hauna kukanganwa handiti?"
"Kutii ?"
"Mhamha vakati kana une dambudziko usatya hako
kuuya kumba kwedu"
Ndakanyepera kuseka nhema ndichibva ndati ,
" ndingakangwanwa sei nhai Tinashe mashoko
akakosha kudaro andisingagone kuwana akanyorwa
muroad?"
"Okay Ropa ndangokuyeuchidzawo hangu..."
"Ndinotenda Tinashe asi usazvinetsa hako.. Parizvino
handina dambudziko."
Panguva iyoyo takanzwa mavoice anaJane vachirova
chikwee vachiuya kumvura and vaitoratidza kuti
varikumhanya hameno zvavaifarira kuseni ikoko.
Tinashe haana kuda kumirira kundioneka
akangonyangarika mumatombo imomo ndokusara
ndave ndega ndichichera hangu mvura...
"Ropaa! ",
akaita zvekuvhundukira Jane. Ndakaramba
ndakanyarara ndichichera mvura yangu.
"Kubika tea Ropa ndokungaita kuti utizire Tinashe ??
Une mimba yake here? Manje zvaari mukomana wangu
uchaita sei?"
Aitaura achipenengura miromo mwana wamai Denis
akataridza mazinzwara pasi iwo ane tsvina kunge anga
achichera guva...

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 59 -
"Jane!!! ndinyare nhaikaa! Kumba hakuna kana sugar
yekubika tea! Kujere kwandakarara hakupiwe vanhu
chingwa nemargarine. Mhamha vako vakati ndibike tea
nechingwa ndichinane margarine.. Ndaimawanepi
pandiri pano?"
Ndokukwazha Ropa ukada kuonererwa. Wauri
kuudza zvekumba kusina shuga ndiani ? Wadii
kupindura zvekuti Tina mukomana wangu?"
Ndisati ndapindura Tinashe akabva abudikira
ndokuti...."

End of chapter 7

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 60 -

CHAPTER 8

TINASHE
Tsvina yaive naRopa ndakanyatsoona kuti
arikundivhara haana kubva kumba. Kubva
zvandakatanga kumuona kuBoterekwa anenge
arismart despite ivhu redu dzvuku riya asi munhu
anogeza anoonekwa..
Patakanzwa vanaJane vachiuya ndakamhanya
ndokunoti kwati panerimwe dombo ndaisada kuisa
Ropa patight naJane.
"Kubika tea Ropa ndokungaita kuti utizire
Tinashe?. Une mimba yake here? Manje zvaari
mukomana wangu uchaita sei? "

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 61 -
Mashoko aJane aya akandiita kuti ndibude musaga ,
handina kuda kufunga kaviri! Ndakabva ndati
kwanyanu paseri pedombo pandainge ndakahwanda
ndokufamba ndichidzika pavaichera mvura.. Vese
vakati tumbi vakanditarisa ndichidzika pamatombo
paye.
" Jane wati chii? Ndirimukomana wako ini??? Asi
wakandipfimbirwa nemadzitateguru ako ndiri kuhope
here nekuti live ndakasvunura seizvi handife ndakaita
mukomana wako even by mistake!! Ndakunyara
wanzwa?, ndanga ndichida kukukava muromo uyo
unotaura zvausingazive. Hindava uchida kundisekesa
neBoterekwa rese kuti ndodanana nadhiyabhurosi
akaita sewe soo. Ko Ropa , inga ndakubvunza wani paya
kuti wasvika sei wega kuseni kwakadai....? "

" Tina sorry hako ndakunyepera.. Wanga


uchirevesa, handina kurara kumba ndakarara
muzigomba riri pazasi apo ndakabva kumba
nezuro!"
Jane... "Oooh ukunzwa ka Tinashe zviya
zvandaikuudza kuti usasekerera Ropa achirara
kumba kwenyu kapenzi aka kano..."
" Janet!, shutup mhani. waakuzonditsamwisa.. Ropa tell
me, chii chakaita kuti utize kumba ? Wakarohwa here?"
" Dai ndakarohwa ndingadai ndakarara kumba
Tinashe. Hapana mwana asingarohwe kana
aposha, mhamha vangu chaivo vaindirova kana
ndatadza."
"Saka kana usina kurohwa wakararirei musango ?
Muudze ka Tinashe wako kuti wakatiza kubika tea
yawainge watumwa! "
"Jane mhani usaita kunge wave kupenga iwe, Tinashe
uyu ishamwari yangu haasi mukomana wangu. Infact
ndomuona kunge brother vangu nekuti mhamha vake
vane moyo wakanaka vanonditora semwana wavo..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 62 -
Ndakarara kujere kuShurugwi Jane asi kumba hapana
kana akafungawo kunditevera. Ndakabatsirwa namai
vaTinashe ndikadzoka kumba asi maiguru
vakasvikonditi ndakanga ndaenda kunohura
kuShurugwi.. (Tinashe anobata muromo). Vakanditi
ndibike tea nechingwa chandabva nacho kunohura
ndinamire margarine akawanda andabva nawo..
Mumba makanga musina kana tsanga yeshuga
zvaunoziva iwe Jane. Saka pakadaro maida ndiite sei?
Ndiponderwe margarine nechingwa zvandakaguma
kudya zuva ravigwa vanamhamha?"

"Sorry Ropafadzo handina kuziva kuti ndizvo


zvawakasangana nazvo nhaikaa! Ziso raMwari
riripatiri isu nherera usazvidya moyo.. Usarara
zvakare musango Ropa hazvina kunaka. Mune
mazinyoka munzvimbo ino uye nezvipuka
zvakasiyana siyana zvinofamba usiku.. Janet kana
wazogara Mwari vakukomborere iwewe namai
vakakubereka "

Ndakafamba ndichibva pavari ndainge ndotadza


kuzvibata misodzi yakanga yongodonha yega. Sei
satan achisika vanhu vake ovasanganisa nevanhu
vakasikwa naMwari? Vasatan vanofanira kugara
kwavo vega.. Ndichangoti pote ndakatanga kududza
kupfikura chaikoo. Ndakanzwa moyo wangu kupisa
zvandisati ndambonzwa muupenyu hwangu.
Ndakazoona Ropa ouya ega akatakura bucket rake
remvura ndikarwadziwa kusvika pasi pehana chaipo..
Nzara hayo chadyiwa chabvepi???? Ndakabva ndaenda
kunamhamha vangu kumbonoti mwini mwini navo. By
the way ini namhamha tinoshanda tese tichibatsirana
kuvaka musha wedu kwatakawana stand muminda
mirefu mudhuze umu saka pamwe kana mari yedu yati
wande mhamha vanomboenda kumba kana svondo
mbiri vonobikira vanovaka. Soon hombe ine
makamuri matanhatu iyi tinenge tatoipedza.
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 63 -
" Mhamha ndokumbirawo kunobvuwira Ropa
kasadza haana kurara kumba akarara musango" ,
ndaikumbira kunamhamha vangu ndakazvininipisa
kuti vandibvumidze...
" Akarara musango? Hanzi zvaita seiko nherera yashe
iyi nhai asikana ?"
" Ndinobika here mhamha ndouya
ndokutsanangurirai zvese zvakaitika. Kana imi
kumudana momubvunza anokuudzai asi
munotaimira Jane asipo arikumvura motaura
naye"

" Enda mwanangu unobika.. Pane chivusavi chiri


mudheka chakasara mauro unongobvuwa sadza
wodziisa chiusavi chacho mwanangu "

" Maita basa vaMasivanda"


Ndakateremuka ndichimhanya hangu ndonanga
kumba uku ndichinhonga zvitsotso kuti moto ukasire
kuti viriviri ndidzoke kubasa... Handina kana
kunbononoka, pasina nguva ndakanga ndatobata
kapaperbag kandakanga ndaisira lunchbox inesadza
raRopafadzo... Ndakanopa mhamha ndikati ndave
kunotaura naye kuti azotora chikafu panamhamha
apinde mumakwenzi adye hake vanaJanet
vasingamuone...
Pandaienda kunotsvaka Ropa ndakakaruka ndati
dhuma dhuma naJanet achifambisa akatakura bucket
remvura.. Mwana haana nyadzi uyu moziva ???
" Tina ndanga ndichida kukuudza kuti chero
ukandivenga ini ndongokufarira zvakadaro...
ndakakufarira kubva Ropa achiri kuZhombe ukoo
and kuuya kwake hakungaite kuti ndisakufarira.
Zvanga zvichitaurwa naRopa kuti kumba kwedu
hakuna shuga ndezvemanyepo anga achingoda
kundinyadzisa ikozvino ooh vanaNetsai havachada
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 64 -
kufamba neni varikundiseka. Ngauchichena moyo
wake"

" Janet imbotura bucket rako zvishoma ungaremerwa


ndoda kumbotaura newe! "
Akatura bucket rake Jane achibva amira akanditarisa.
Kuda aifunga kuti ndoda kutaura zvekuti ndomuda
hameno.
" Jane, uchiri mwana mudiki paruvengo rwaunarwo.
Haruna zera newe ruvengo urwu. Nzvimbo
yatinoshanda ino inoda nyasha Jane. Ungaita gore
uchishanda usina chawabudisa. Urikuzvipa jambwa
nemunyama wanzwa?. Tarisa wangove pamiromo
yevanhu vazhinji muno muBoterekwa.. vamwe kana
kusefa goridhe nemvura yacherwa newe havachada..
Vanotoona kunge unovakavisa nemari nemoyo wako.
Vabereki vedu vane madaka hongu, asi iwe semwana
hazvina kana faniro kuti uzvikwanidzire
pausingakwane.ipapa ndikakubvunza kuti Ropafadzo
akakutadzirei hauna kana chikonzero. Munin'ina wako
waungaita mbiri yekuvenga zvakadaro? Kusvika
parinhasi, akaguma kudya sadza kumba kwedu zuva
raakabva Shurugwi.. Moyo wako haurwadziwe here
nhai Jane? Inga mwana akangoberekwawo sewe? Chii
chaizvo nhai Janet ???? Chimwe chinhu chandoda
kujekesa ndechekuti handina tarisiro yekudanana newe
and handi..."

" Nxaaaa!! Ndozvawanditurisira bucket izvozvo


ndanga ndichifunga kuti une nyaya kwayo ini???? "

Akabva ati mhii bucket rake ndokugadzika mumusoro


ndokubhidhaira achienda. Simba racho rinongoratidza
pachena kuti haasi ega mwana iyeyu.. Ndakasara
ndakamira ndakamutarisa, ; achifamba ndaitoona
zistep rasatan chairo.Ndakaenderera hangu

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 65 -
ndokutsvaka Ropa kusvika ndamuwana..
Ndakamutaurira akamboda kuramba
ndikamunyengetedza. Akazoenda kunamhamha
akanotora lunchbox iya asi ndakanzwa oti ,
" ndichakupa lunchbox yako mangwana Tinashe
waita basa, ndichadya hangu munzira ndoenda
kumba. Ikozvino ndiribusy ndapiwa basa"

" No problem Ropa unongozopa chero mhamha


pavanoshandira apoo!"

" Sharp "


Ndakapedzisa basa rangu hangu apa ndaingonzwa
kufizuka.. Ndakakurumidza kuchaisa ndokutakura
zvunhu ndodzika kuenda kumba ndikati mhamha
vawane ndavabatsirawo nekubika.. Ndakasuka
ndokubika kuchaonekera sezvo tichibikira panze..
Ndainge ndatopedza zvangu kubika ndamirira kuti
svibei ndigogeza paseri pemba.. Ndakaona vanaJane
votenuka kubva kugomo voenda kumba. Ndakasimuka
ndichida kuona kana Ropa aripowo asi handina
kumuona.. Ndakakundikana kana kubvunza Janet
ndakangoziva kuti Ropa asara musango and
achanorara paakarara nezuro. Ndakapinza mapoto
mumba ndokuvhara madoor ndotevedza
kwaakanongedza kuti ndokwaakarara. Zvonetsa
ndikazowana apinda mugomba macho imomo
ndozoziva here kuti nderipi racho.. Ndaimhanya
ndichiitira kuti pamwe ndingamuone asati apinda
mugomba macho! Misodzi yaiyerera kuri kurwadziwa
neupenyu hwemwana uyu.. Sei Mwari vachitiita
nherera isu takazvarirwa muurombo zvakare???
Ndakapatarika mumakomba ese ekudivi
kwainongedzwa naRopa asi handina kumuona.
"Ropaaaa! Ropafadzo! "

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 66 -
Ndakaedza kudeedzera ndakadzipa inzwi rangu
zvekuti rinonzwikwa neari pedyo arikure haarinzwe.
Ropa haana kudavira.Kwakasviba ndichingotsvaka asi
ndakamushaya.. Ndakafamba hangu ndodzokera
kumba ndakabereka maoko ndaigodii??? Ndainzwa
kunge I have failed Ropafadzo.

MAI MARUFU

Kunyangarika kwaRopa kwakandiwedzera hasha!


Munzvimbo medu mune vanhu vanotaura and
ndotoziva kuti vachandiita nyaya yekumwisa tea
tsvuku mudzimba dzavo.. Ukuwo baba Denis kunge
vanopenga... Nhai munhu asingaone anongoda
kuzvipengesa uchiponda vanhu vanokupa chikafu??..
Ndaisaita zvejee pandaitaura kuti vaMarufu vanoenda
kuJairos Jiri.. Ndakatobatsirwa kuapplier neumwe
anogara muraini medu anodzidzisa muShurugwi..
Vakangotambirwa chete vanouya votorwa voendwa
navo tombosara tichifurwa nemhepo!
Ndakaswera ndakagumbuka uku Chido akabva
aramba kuendawo kubasa hanzi vanhu vave kutivenga
nekuda kwaRopa. Ndakanyatsoona kuti
ndozvaanotoda Ropa wacho kuti vanhu vamude iye
vavenge vana vangu. Ipapa chaakatiza chii? Akatiza
achiyendepi? Zvakandinetsa moziva ! Umwe moyo
wakati kuda atizira kunamai vaya shamwari yamai
vake kuEmpress..Uko ndokwandingamutevera
ndikabva ndichimutinha zvangu , ngaatsvake kumwe
kwekuenda. Ndakanoswera kumunda zvangu naChido
ndaisada kugara pamba nababa vewaya vaya.
Takatodzokako zuva rodoka.. Patakasvika pamba
takawana vaMarufu vakagara panze parutivi pavo
paive nejug raive nemaheu aive muhalf. Paivawo

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 67 -
nechidheka chakanga chakavharwa.. Ndakaita
chekuvhura negumbo ndichida kuona kuti chinei ?
Ndakavhunduka kunzwa izwi ramai Sheri achibva
nekuseri kuchisukiro achiti,
" Aaaah nemoyo wese here mbuya?? Kukudubura
dheka rinodyirwa nababa Shelly negumbo renyu
rine madhaka iro mune chokwadi??
" Ndibaba Sheri here vawavigira chikafu nedheka ava?
"
" Ndisekuru hanzvadzi yavamwene vangu mbuya.
Manga muchida kuti ndiite sei ivo vasina chavadya
kubva zvakwayedza.. Ndasvika pano ndichida
kuzobvunza kuti mainini Ropa vazowanikwa here
ndopandanzwa sekuru vachiti votofa nenzara. Manga
muchida kuti ndimhanye ndiuye kumunda kuzotora
moyo wenyu mukukutu ndiisewo muchipfuva changu
ndovaignowa sezvamaita ????Aiwa ndamhanya kumba
kwangu ndikanovabikira sadza vatodya zvavo vaguta "

"Tora chidheka chako nerujagi rwako ubve pano


mai Sheri handidi musindo newe "
" Jug rangu ndinoenda naro mbuya asi chidheka
chamakava ichi handina kwandoenda nacho!"
Mai Sheri munhu mukobvu.. Ndakanyatsoona
achitsika tsika chidheka chiya nemakumbo chichibva
chaita kuunyana. Moziva dai ndichiroya sezvinofunga
vanhu vazhinji mai Sheri ndingadai ndakavauraya
kare? Havayeri mashoko avo kana vachitaura neni.
Munhu uya anongotaura zvaanoda havatangi vafunga.
Munhu anongori nekaunhu kaya kechibhuru bhuru
kuda ndomuchikorokoza maanogarotaura kuti
ndomaakakurira...
Akagodigaira hake mai Sheri achienda kumba kwake.
VaMarufu vakaridzawo zitsamwa vachipinda
mubedroom ndikaziva kuti kwave kutonorara sezvo
vaguta havo vavigirwa chikafu nemuzukuru wavo..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 68 -
Ndakapinda mukitchen ndokuzvambarara pabench
ndakamirira kuti Chido azobisa madota avese moto..
Zuva iri Jane akati kurumidze kuuya.. Akauya akaita
kufuta sedatya zvake ndikaziva kuti nhasi hakuna
mari.. " Titambirezve vadzimba"

" Mudzimba ndiRopa mhamha akarara pedo nebasa


akamukira kushanda kuseni seni isu vamwe
tichakarara"

"Ropaaa? Ropafadzo chaiye here ? Saka aripi


nemari?"
"Mhamha hamungambozvinzwisisi imi.. Handiti
ndakakuudzai kuti Ropa ane mukomana anoda
kumuwana kuBoterekwa uko? Ndiko kwaakarara apa
tawana varivose kumvura kuseni mukomana wacho
akahwanda mumatombo. Azobuda pandanga ndoda
kurova Ropa kuti akararepi ndobva vatanga kuita
drama mhamha kunge vasina kurara kumba
kumwechete! Ko iye Ropa kunyepa hanzi ndakarara
mugomba kupi kupi eboo! , regai ndinyarare zvangu
ndingatoonda nemhuka yenyu yamunoti Ropa iya!"

"Saka urikuti mari yose yaashanda aenda nayo


kwanaTinashe ikoko? "
"Zviripachena mhamha!"
" Chido donyahwaira unotarisa nguva kumadziro
mubedroom umo baba vako vasakunzwa. Kana 8
isati yachaya kureva kuti zvimota zvichiko
ndotoendako izvozvi kwaTinashe wacho vasada
kutamba neni. Ndini ndakamusiirwa namai vake
kwete ivo"
Moziva ndakanzwa hasha dzisingaite? Ropa kushanda
achipa vamwe vanhu mari zvakamboitikepi izvozvo?..
"To 7 mhamha"
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 69 -
Ndakasimuka nemutsindo ndatoona kuti nguva
dzichipo chose kuma9 ndowana zvimota
zvekudzokesa ndodzoka naye Ropafadzo wacho..
" Ndokuperekedzai mhamha ndonokuratidzai pamba
pave kugara Ropa pacho ",
akadaro Jane achitopfeka jacket rake raakanga abva
akasungirira muchiuno..
"Chido ugosara woudza baba vako kuti taenda
Boterekwa kunotora Ropa tanzwa kwaari"
" Ehoi mhamha"
Takabuda naJane ndokunanga kuroad kuzvimota.
Hatina kumbogarisa ko manheru zvimota zvinenge
zviri busy kutakura makorokoza achidzoka kudzimba
kaa.. Ndaitoti kuda pane mufambo kusvika
kwaTinashe kwacho kubva patoburukira.
Ndakatoshamisika kunzwa Jane oti “mhamha pamba
pacho apo pane kamoto panze."
Takasvika pamba paya apo paive nerunyararo kunge
pakarindwa chitunha chakaora.. Panze paive
nekamoto kaifinyinya kure kure. Kana kuti tisvikewo
handina ndakangonanga pachoto pandaiona pagere
munhu...
" Mhamha vaTinashe tauya kuzotora Ropa"
akadaro Jane kurumai rwakanga rwakagara
rwakaungana pedyo nemoto po!
" Makadii henyu? Regai ndikutorerei pekugara"
rwakadaro rwumai rwuya rwosimuka ndikati,
"no hatina kuuya kuzogara pano. Aripi Ropa toda
kuenda"
Vasati vapindura mai vaya pakabva pasvika umwe
mukomana akangobuda nemumabvokocho akabatira
bhutsu mumaoko akaisa hembe muhuro uku
achidikitira..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 70 -
" Musandiudza kuti ndiye Tinashe wacho uyu kaa
arikutobva kuno........."

End of chapter 8

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 71 -

CHAPTER 9

TINASHE
"Musandiudza kuti ndiye Tinashe wacho ka uyu
arikutobva kunorara naRopa mumakwenzi umu..
Ukagodikitira kudaro neruhembe muhuro kwakanaka
here mwana iwe?"
Moziva zvimwe zvunhu unopera strong? Besides
utsinye hwamai vaJane handina kuziva kuti vane
pfungwa dzakafonyoka kudaro.. Ndainge ndichiri
muprocess yekuda kunzwisisa kuti chaizvo Jane
avingei pamba pedu namai vake asi pandakanzwa
mashoko iwayo ndakambokanganwa kuti mhamha
vanogara vachindiudza vachiti ndikudze munhu
mukuru wese nekuti Bible paya parinoti
"kudza baba namai vako kuti mazuva ako
agowedzerwa panyika",
, hazvirevi baba kana mai vakakubereka bedzi..
"Makadii henyu?.. Mhoro Jane"
Kukwazisa kwaive kuedza kudzora hasha
dzandainzwa kuti pamwe ndingagona kurerutsa
mashoko aivira muhana mangu..
"Wamuwana here mwana nhai Tina?"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 72 -
vakandiendera mberi mhamha ini ndaitotsvaka
mashoko ekupindura mai vakanga vakamira
pachivanze pedu ava.
"Ndamushaya Ropafadzo mhamha. Ndatenderera
kwese kumakomba kwaati akarara nezuro
ndatombodeedzera asi hakuna munhu"
" Hazvinei mwanangu, Mwari vanorara
vakamuchengeta tichamuisawo muminamato mauro
ano"
vakadaro mhamha asi ndichinyatsonzwa
kushungurudzika muvoice ravo..
" Irori drama ravari kuita kunge vasingazive kunaRopa
ndozvavanga vachiita Ropa naTinashe uyu kuseni
mhamha zvandanga ndichikuudzai paya.. Tinashe iwe
urikuziva kunaRopa. Uko kwawabva uko wasiya waviga
Ropa and haasi kure wanzwa tichitaura ukamusiya
muzvimiti umu. Budisa Ropa Tinashe!"

Dai pakanga pasina mhamha namai vaJane ndingadai


ndakakava Jane musoro chaiwo nehasha
dzandakanzwa ipapo.
Ndisati ndamupindura ndakanzwa mhamha voti,
" amai garai pasi apa titaure sevanhu vakuru. Hazvina
unhu kusvika pamba pevanhu momira makatiringa
nhova kudai kunge tine chikuru chatatadza "
"Kugara pasi??? Handigare pasi ini dondipai mari
kubva yakashandwa naRopa zuva raasungwa
neyanhasi yose handina kuiona kumba itai
muchikasira ndoda kubva pano."
Mhamha.. "Geegegedeee ndaseka mwana wemuera
Shumba.. Pamasvika pano ndafungidzira kuti moda
Ropa ka ini!!! Mavinga mari yaashanda ?
Ndoyakusimudzai kusvika pano? Zvaindinetsa nguva
yese iyi ka kuti mai vanotuma vana vezera ranaChido
naRopa kana naiye Janet zera rake harisi rekushanda
mumakorokoza iri. Chokwadi zera renyu renyu iri amai
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 73 -
nderekugara kumba kumirira mari yechigayo
kunaChido??? Ko zvaakasungwa Ropa makachidii
kutora mari yaanosikupai makamutevera mwana
kumapurisa? Kujere kunohoreswa majarina
nechingwa?? Makavaona here vanobuda kujere
vakagukuchira zvingwa? Haa bodoo chokwadi nhasi
ndaona zvese! Inga vana varimunhamo ava. Ndimi mai
vavo???? Mwanana akaita semi kutodarikwa neni
chembere ndingapeta maoko kumirira mari inouya
naTina uyu? Inga ma...."

" Eeeee zvekutukwa neumwe mukadzi


ndozvandoramba.. Ndipei mari chete ndiende"
"Mari yaRopa anayo kugomba kwaarara. Chamoda
imari hamunei kuti ararepi adyei?"
ndakapindurawo nehasha ndichibatsira mhamha
vangu!
"Mai imi dombondiudzai. Munoti mai vaRopafadzo
vaida here kufa vachisiya mwana wavo? Munoti vaive
vasina here shuviro yekuyarutsa mwana wavo
agozovachengetawo.. Makaropafadzwa munorarama
makore akawanda panyika muchinzvengeswa rufu
noWedenga kuti mushungurudze vana vevamwe.
Makaropafadzwa muchati zuva rokufa mosungirira
mbereko kumusana movigwa nevana venyu vese
vamakabereka.Dai waro Mwari vazomuropafadza
rikave zita rake.. Kana zvaibvira mandipa henyu
ndamuchengeta ini ndine nhamo yevana. Ura hwangu
uhwu hahuna kubvira hwatumburawo mwana kana
chitunha zvacho. Tina uyu inherera yakangofanana
naRopa. Mai vake vakapererawo muBoterekwa umu,
ndomwana wangu akaperera pane ziso nemoyo. Mwari
munopireiko mapudzi kuvanhu vasina kana hadyana
zvayo?"
Kubva zvandakatanga kugara namhamha handina
kumbonzwa vachitaura mashoko anorwadza kudai.
Vakapfugama ndokupfikura vakaita kunge vanoda

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 74 -
kunamata. Ndakanovabata ndichibva ndavagadzika
pasi...
" Handei mumba mhamha musachema,
munozotemwa nemusoro"
ndakabata mhamha ruoko ndokuvananaidza tichienda
mumba.. Vakasvikogara pabench ndokutanga
kusvimha zvaisiririsa varipo.. Ndakabuda panze ndave
nehasha ndichibva ndati,
"handiti mamushaya Ropafadzo? Mufambe
munyasha"
ndakadira mvura muchoto ndisingatarise kuti dota
richapinda muhembe maani kana pai!
Vakatozvibatsira nekuuruka vachidzokera kumashure
kurikutiza dota rinopisa..
" Tina ini ndanga ndaperekedza hangu mhamha kuti
tizotsvaka Ropa ndanga ndisina kumbouya kuzokutuka
kana kuchemedza mhamha vako.. Handei mhamha "

Ndainge ndisisade hangu kuramba ndichipindudzana


nevaviri ava. Ndakangosiya vakamira ndokupinda
mumba. Ndakazonzwa vofamba vachibuda pachivanze
ndichibva ndabudawo panze ndokumbogara
pachikumbaridzo ndikatangawo kuchema.
"Sei zvichidai kunherera nhai vakuru woye? Ropa
arikufungei ega mugomba usiku huno? Haasi kutya
here akomana?"
Ndakachema kusvika mbabvu dzangu dzave
kurwadza.. Ndakapatitswa namhamha vakandibata
pabendekete zvekuti ndakatombovhunduka.
" Enda unorara mwanangu. Hapana chiri kusangana
naRopa chisina kurongwa naNyadenga kana chisina
kumbowira dzimwe nherera. Mai ivava vachawanawo
mugove wavo rimwe remazuva.. Urare zvakanaka
mwanangu"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 75 -
Ndakaparadzana namhamha ndokukwidza hangu
kumachinda kwandosirara.. Kazhinji tinorara
takadziya moto nekuti tinenge takawanda..
Ndakanotandara kugara hangu kusvika dzave kuma12
midnight. Ndakadoedza kutswinya maziso kuti kuda
dzingauya hope asi hapana kana chakauya. Chiso
chaRopa chine kutambura chaingoramba chichiuya
mumaziso angu.. Ndakasimuka ndokusunga bhutsu
dzangu ndichibva ndadzika kwandakambotsvaka
Ropa.. Ndakangowanawo pazvimuti pakadzikatira
ndichibva ndangogara ndokuti kwati. Mumoyo
ndaizviudza kuti ndakarinda Ropa akawana
chinomuwana mugomba anoridza mhere ndoziva
paari. Ndakakwatidzira pazvimuti paya kusvika
dzoenda kuma3am.. Ndakasimuka ndokumbofamba
famba ndichingotenderera hangu.. Ndakanzwa chinhu
chaitsika mashizha chichifambawo chichiratidza kuti
chiri kuuyawo nekwandiri. Ndakamira nehunde
yemuti ndokuti kwati ndakadaro...
" Mhamha murikuenda kupi murima makadai? "
handina kuziva kuti ndavhundutsira muchembere
zvakadaro.. Vakaita zvekunodonha kuti nyondo
nemuromo.. Ndakauruka ndokunovabata..
" Hope dzaramba kuuya mwanangu, ndangoti rega
nditenderere mumapiripiti umu kuda ndingawanawo
pakwatidzira mwana uyu ndikaenda naye kumba.."

" Kana neni mhamha. Dzandirambira hope handina


kurara.."
Takagara pamatombo namhamha vachimbozorodza
hana yavo kuti igadzikakane ndigovaperekedza
kumba.. Takatozogara kuda kwehour yese.. Half 4
yatochaya ndopandakazoti kunamhamha
ngatichiendai ini ndave kuda kunotanga basa.
Tatosimuka kuti tichienda takaona munhu
akabudikira nepane rimwe zidombo raive opposite
patakanga takagara.. Mhamha vakatowana simba

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 76 -
rekuuruka vakananga kunaRopa ini ndakangoti gojoto
ndokudzokera kugara padombo...
" Ropafadzo mwanangu, upenyu hwawasarudza
hwekurara mumwena kunge nyoka uhwu kwete
mwanangu izvi ndaramba.. Mune makorokoza muno
unogona kuonekwa uchipinda mugomba umu
ukapindirwa ukarepewa usiku."

Ndakatoona mhamha vowanza munamato kunze


kuchichena ndichibva ndasimuka ndokufamba
ndichienda pavari ndokubva ndati,
"mhamha torai Ropa muende naye kumba ambonorara
azorore ini ndave kuenda kunochera.. Musauya kubasa
nhasi mese"

Ndakaona Ropa oda kundipindura ndikati, "kwanhasi


kwega Ropafadzo imbonzwawo zvandotaura..
Tsiurwa uchinzwa nhaika?. Havana kurara
mhamha vaunoona ivavo vachikutsvaka..
Zvakawanda monotaurirana kumba.. Ndokuonai
masikati"

Ndakabva ndatofambisa ndokwidza kugomo


kwatoshandira.. Moyo wangu waida kupa Ropa
mhosva yekuti sei pandakamutsiura kuti asarara
musango asina kunditeerera asi ndakazogaya kuti dai
adiiwo hake nezimaiguru rake riya randakaona
madeko rinenge mutumwa waSatan.. Ndakanoshanda
neshungu. Mugwara ndaiubata zviya zvekunge
ndakaudzvinya kuti usatiza dziri shungu.. Ndaive
nehasha kunamai vaJane nemwana wavo. Ndaive
nehasha kwandiri pachangu. Ndaizvibvunza kuti sei
zuro ndakamhanyira kunobika kumba ndisingatange
ndatarisa kuti Ropa afamba sei? Ndainzwa kuda
kutimba gomo rese neshungu dzainge
dzakandiwandira. Chainyanya kundipa hasha

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 77 -
ndechekuti ndiri tsuro yemubhuku handina
chandinacho chekuti ndingabatsira nacho Ropafadzo.

ROPAFADZO

Kare kwangu ndaitya chero mhamha vakandituma


panze kwati svibei ndaitoti mirai padoor
munditarise..Aive mazuva acho ndichine wekuudza
kuti ndinotya.. Ndichine wekuyemera. Nhamo
yandidzidzisa hama wee.. Kana kufamba usiku
ikozvino ndinosvika kure.
Pfungwa dzangu zuva randakatanga kurara musango
ndaiti kuda zvimwe pane chichachinja ndikazoendawo
kunorara kumba remangwana asi mashoko aJane
akatondiratidza kuti anerimwe namai vake and kumba
kwacho itori nonstarter chaiyo kunyanya ndatoudza
Jane kuti kumba kwainge kusina sugar shamwari
dzake dzichinzwa kudai ndonobatiranwa zvangu
namai nevana ndikapondwa..
Ndakangoti vanhu vorongedza kuchaisa ini verere
mumakwenzi nelunchbox yangu yandakanga ndapiwa
naTinashe ndokudzoka ndakananga kugomba
kwandainge ndarara madeko akapfuura.Ndakadya
sadza rangu nekanyama ndikamwira mvura
yandainge ndabva nayo ndichiitira kuzogeza maoko..
Nekuneta ndakangopedza kudya ndichibva ndarara
ndakatsamhira jacket rangu.. Chinozondipa kutya
mugomba muya ndechekuti ndinonzwa kunge
ndakatariswa kana ndakarara asi pandopepuka
handina chandoona murima remugomba umu..
Semunhu ndajaira kumuka na4 ndakapepuka
ndokunzwa kunge kwaive nevanhu vaitaura pedyo

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 78 -
nepandainge ndakarara. Ndakatonzwa kuti vanhu
varipedyo ava nekuti dai vaive chinhambo
handaivanzwa.. Ndakabuda mugomba muya zvishoma
zvishoma uku ndichiteerera kuti varikutaura nezvei ?
Ndakanzwa izwi ramai vaTinashe kutanga.
Ndakanyahwaira ndichiswedera ndichingoteerera
kusvika ndazoita zvekuona kuti ndiTinashe namai
vake.. Ndakambomira ndichizvishora zvakanyanya
nekurarisa vanhu vachinditsvaka.. Ndakazofamba
hangu ndoenda pavari kuti vandione kuti ndini...
Tinashe akanga akanditsamwira, handimushore
nekuti vanhu ava vakanditi ndiuye kumba kwavo kana
ndine dambudziko. Kudawo kuzvionera senherera
ndokwangozara mumusoro mangu mazuvano..
Takateremuka namai vaTinashe tonanga kumba
kwavo vachifamba vachindiudza kuti kurara musàngo
kwandiri kuita uku hakuite. Zvavaitaura
ndaizvinzwisisa chose asi ummm nhamo yandinayo
inozikanwa neni ndoga..
" Maiguru vako vakasvika pano madeko Ropa"

Pakutanga ndakamboramba ndakanyarara


ndichifunga kuti ndatadza kunyatsonzwa zvataurwa
namai vaTinashe...
"Vakauya nemwana wavo naJane vachizokutsvaka"

"Mhamha murikuti maiguru mai Denis vakasvika


pano pamba penyu chaipo vachiti varikutsvaka
Ropa?"

"Ehee mwanangu"
"Aaah !! Vakanga vasina kubata zijamhu here
rekundirovesa ?"
Ndakabvunza ndisina kumbonyatsofunga mubvunzo
wangu...
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 79 -
"Vainge vasina shamhu Ropa, vaida mari hanzi
yawakashanda nezuro neyezuva rawakasungwa riya
vakati havana kuiona ndiyo yavakanga vavinga"
Ndakatadza kudzora shungu dzakandibata ndichibva
ndatanga kuchema..
" Ndoziva Ropa, zvorwadza mwanangu asi
zvawakatarisana nazvo zvinoda simba rauri
kutopedzera mukuchema iroro.. Nherera
ndeyekushinga nekunamata mwanangu. Kuchema
kupedza nguva "
" Mwari dai vakatora havo mhamha vakandisiira baba
vangu kana kutora baba vondisiira mhamha. Pane
kutora vose nguva imwechete???? Ini hangu handizivi
kuti ndichaita sei ini ! Vachangoponda havo zvopera.."
" Tozotaura Ropa huya urare pandakugadzirira
apa.Handiti wamunzwa hanzvadzi yako ati uzorore
usaenda kubasa.."
"Mhamha, ndofanira kuenda kubasa vanaJane vaone
kuti ndiriko ndirimupenyu.. Mari ndoida zvakare.. Pane
zvandiri kufunga mumusoro mangu."
" Ropa mwanangu, hatikuvengi handiti ? Dzimwe
nguva imbonzwawo zvinotaura vamwe. Rara
mwanawe uzorore, waunoti Jane uyu kuziva kuti
urimupenyu kana kuti wafa haanei nazvo uya
ndakazomuona zuro "
Ndakarara zvangu , ndaiti kuda ndinorara ndega asi
ndakatoona mhamha vaTinashe vokiya door ndobva
vararawo..
Takarara kunge tafa... Patakapepuka dzakanga dzatove
kuma10.. Mhamha vaTinashe vakati ndigeze
ndigogara mumba vabike panze..
Takazoona Tinashe ouya akabata zvingwa zviviri
neusavi zvaakatenga kumamai eShurugwi anouya
achitengesa kwatoshandira.
" Urikunzwa sei Ropa ?"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 80 -
ndakamboramba ndakamutarisa ndichishaya kuti
arikurevei?
" Ndiri right Tinashe handirwari ini""
" Makumbo haarwadze here nekurara wakagonya
mungwavava ? Uchadhirikirwa nezvipoko
zvemigodhi yakan'eren'edwa kare nemakorokoza
achitsvaka mari.."
"Usadaro mwana Tina, ipo pano pandiri
ndirikutopererwa kuti mwana uyu tomuisa payi kuti
asaona ngwavaira isina kana zera naye iyi"
" Mhamha, musazvinetsa henyu. Mazuva maviri
iwaya andarara ndisiko kumba ndambozorodza
pfungwa dzangu. Moyo wangu wambozororawo
kubaiwa nemashoko.. Nhasi kana vanaJane voenda
kumba ndinoendawo navo"
Tinashe... " Jane naChido havana kuuya kubasa nhasi.
Ndatokanganwa kukuudza ndichangosvika pano"
Ndakamboti zii ndichifunga hangu kuti Jane chaiye
kuswera asina kubata mari? Zvaita sei?
" Ummm saka ndofanira kuenda kumba, handione
sekuti kwakanaka ini"
Tinashe..." Ropa gara pasi, nhasi unorara pano..
Mangwana kuseni unoenda kubasa kana vanaJane
vasina kuuya zvakare unozoenda kumba manheru but
trust me. Mai vako vaya vakangoramba vachiita zvavari
kuita izvi vanonyura nechild abuse ndonovavhurira
case kuShurugwi uku."
Ndakambonyepera kuseka hangu ndichibva ndati ,
" child kuchembere yakaita seni here Tina ?
Havasungwi nekuti ndakura"
Tinashe... " You are under 18 Ropa haufanire kunge uri
kuriritira family pauri apa"
Tinashe akadya hake achibva adzokera kubasa. Nyama
dzangu ndaidzinzwa dzakaneta kurara mugomba
kusvika kwayedza haisi nyore veduwee..
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 81 -
Ndakadzokera kurara ndokuzomuka kwatodoka..
Takambobuda namai vaTinashe tichinotsvaka
zvihuni... Ndakaona kuti kungoda havo kuti titasanure
tsoka but huni pamba pavo dzizere. Taikurukura
kunge ndirikutaura namai Ropafadzo chaivo..
Ndakademba hangu kuti dai upenyu huchiramba
hwakadai ndichigara nevanhu vane rudo saTinashe
namai vake..
Manheru takabika tichibatsirana namai vaTinashe
vachindidzidzisa kubika derere rechipodzi ravainge
vatenga kumadzimai emusika. Tinashe akazouya
akabata kaplastic ndokusvikonditambidza...
" Ibhutsu dzebasa idzo Ropa. Ndobhutsu
dzemumatombo umu ndoona uchitambura
nemasandals ako echirungu aya and
urikutomadambura hako"
Mai vaTina vakasekerera vakanditarisa apa ini
ndaitoshaya kuti ndotambira here kana kuti
ndoramba.. Ko ndikazobvunzwa namai Denis kuti
ndadziwanepi ndotii?
" Waita hako Tina asi handikwanisi kudzitambira
bhutsu idzi zvinozonetsa mangwana"
Him... "Ropafadzo teerera, unoona type yamai vako
vaya. Chero ukaita chakanaka havachioni, chavanoda
kwauri imari yauri kushanda muBoterekwa umu..
Imbofunga zvinoda Ropa kwete maiguru vake tora
bhutsu idzi , pfeka tione kana dzichikwana "
Ndakapfeka bhutsu dziya asi kunge hadzo
dzakagadzirirwa gumbo rangu? Ndakapfugama
ndokutenda chose kuna
Tinashe namai vake..
Takarara namai vaTina zvakanaka chose.. Mai vangu
chete ndovaigona kumuka usiku vachindifukidza
gumbeze kana ndaita mararo.. Mai vaTina
vakandifungidza mai vangu moyo wangu ukabaiwa
chose, ndaivanzwa vachindifugidza gumbeze

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 82 -
ndombobatwa batwa pahuma apa kunge ndiri
kutorwa temperature apa ndakarara hangu..
Mai vaTinashe vakamuka vachirongedzera kuenda
kubasa ini ndokutogezawo kumeso kuti ndinoshanda.
Takange tatobata mabucket tave kubuda. Ndakanzwa
kuti "tisvikewo" kuseri kweimba izwi randakaziva
chero zvichinzi mazwi anofanana.. Pandakati cheu
ndakashamisika ndichiona......

End of chapter 9

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 83 -

CHAPTER 10

MAI MARUFU
Kubva zvandakabva kuBoterekwa kunotsvaka Ropa
handina kuwana hope dzakanaka nekuda
kwemashoko amai vaya vokuviga Ropa..
Ndakadzamirwa nemashoko ekuti ndakaropafadzwa
hangu ndinonzvengwa nerufu kuti ndishungurudze
vana vevamwe uye kana ndofa ndichafa
ndakasungirira vana vangu vese mumbereko ndoenda
navo ! Chokwadi panyika pano pane vamwe vanhu
vanotaura zvavanoda kunge vana ven'anga.. Pamwe
ndomboti zvikauya mumusoro ndonzwa hana kurova
muviri kudikitira.
"Ndiri mai vakaipa here, inga vana vangu
ndakavayarutsa zvakanaka ndikavatrainer
kushanda wani "?

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 84 -
Ndakazvibvunza hangu ndakatarisa mudenga
ndaiedza kurara hope dzichiramba
kubata...Ndakangozozvinyaradza mupfungwa iyi
nekuzviudza kuti "rumai rwuya haruna kumbobvira
rwarara nemanhede mulabour ndosaka
rwuchihumana"
Baba Denis kubva zvatakasvika kubva Boterekwa
naJane havana kana kubvunza kuti mafamba sei? Kana
kutaura nezvaRopa kuti ambonzwikwawo here
havana. Zvakatanga kundityisa.Bofu harivimbike
ukarigumbura ukaona ranyarara rinenge richikuredza
kuti uswedere pedyo rigokubata. Parinokubata ipapo
unobudisa mufudze unokwana gandiwa rese ! Ko ivo
vanhu vekuJairos Jiri sei vakanyarara vasingauyi
kuzotorawo baba ava zvunhu zvichakanaka nhai?
Vanoda kuzouya umwe ofamba nedivi segakanje ????
Kuzvikwesha nemibvunzo isina mhinduro ndokwava
kudya kwangu. Ropa ndoti hangu pega pega
pandofunga manyara aari kundiitira ndonzwa hasha,
regai zvinzi nherera hadzichengeteke. Ini nevana
vangu totoshaya mufaro pano pamusha nekuda kwake
anongotiza asina kurohwa..Kuzoti dai ndakamurova
hameno kuti tingadai tichitaura zvipi?
Jane naChido kana kubasa vakambomira kuenda,
kubuda vana vangu kunochera mvura vanodzoka
vakafuta nehasha, muraini yangove nyaya yekuti
ndakadzinga Ropafadzo.. Ugoona vanhu vemuraini
kuda kutaura kwavasina kuswera havatozivi kuti
mwana iyeyu akatiza kubika tea chaiyo kunge
ndakamuti bika doro...
Pamba kana vana vasingaendi kubasa vachiuya
nezvimaUSA hapafadzi zvachose. VanaJane vatove
nemazuva maviri vasina kumbonoshanda..
Tongoswera tose kumunda takarinda tsoko kurikutiza
baba vaya pamba.. Munhu anopopota akanaka unoziva
paamire zvino kungoti kwindi!!!
Ndakabva kumunda hangu ndakatakura katswanda
kangu kenhedzi yatakawanawo kujinga kwegomo

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 85 -
pedyo nekumunda uku. VanaJane vakabva
vangonanga kumvura ini ndikati regai ndozorora
kumba.. Ndakasvika pamba ndikawana baba Sheri
nemudzimai wavo varipo pachivanze pangu.
Ndakanzwa kumerera nehasha..Vanhu ivava vanoda
kuzviita vatsvene chaizvo pandosvorwa vanopembera
chaiko.. Ndakasvikopfuura kunge ndisina kuvaona asi
necorner yeziso ndakanga ndatoona kuti baba Denis
varikupfupfuda mutakura wenyimo kureva kuti
vatovigirwa namai Sheri kuti agowana zvekufamba
achitaura muraini...
"Maswera sei mbuya ? Mawana ndabata choto
chenyu ndanga ndichividza hangu mvura kubikira
sekuru zvitea zvekuti vamwe nemutakura wavo
wandavavigira"
"Choto handina basa nacho mai Sheri, ndine basa
neshuga yangu yawanokora usina kundiudza
yandakatenga zuro chaiko!"
Mai Sheri vaitaurira pasi vakagara pedyo nemusiwo
mukitchen mangu asi pandakangotaura zveshuga
ndakaita kunge ndamutuka nezvamai vake.. Akati
kwanyanu ndokuuruka kunomira panze kuti
anzwikwe..
"Mbuya imi akakuroyai mupenyu here ndinomupa
menduro yake. Haai anogona basa rake!
Chamogona kukoshesa muupenyu ishuga inotapira
kwete upenyu hwevanhu? Varipi mainini Ropa ?
Maenda mbiri yekudzingira mwana tea, tea chaiyo
mbuya munokoshesa tsvigiri mune shuwa imi?
Izvozvi munopengera shuga kuti ndabikira sekuru
tea shuga yangu nemasamba zvandabva nazvo
kumba kwangu ndozvamungapengera kudaro ? "

Dai taive vaviri pamba ndingadai ndakamubata huro


mai Sheri. Mbiri yake yekurova ndaiipedza ini.. Baba
Sheri vakabva vasimuka ndokuti
" mai Sheri zvakwana madam, handei "

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 86 -
Nxaa! Kusaziva panodeedzwawo kuti madam. Nhai
munhu angati madam kuchipurunyenye chimbuya
ichochi chakazadza bani nevana vane mabambo
akasiyana?...
"5 'oclock sekuru ndinouya ndichikutorai tichienda"
Ndakati tuzuu kushaya kuti baba Denis vanoendwepi
navo kuseni zviri kutaurwa izvi munhu webofu?.
Vazukuru vavo vachangobva ndakaenda pavari
ndikabvunza kuti vanoda kuendepi nababa Sheri..
Pachinhambo chekundipindura vakabva vanhonga
tsvimbo yavo ndokufamba kupinda mubedroom
vakanyarara.. Ndakasara ndichivaviwa nehasha
kurikuda kuziva kuti vane urongwa hwei vanhu ivava..
Ndainge ndongokwabvura pese nehasha.
VanaJane vakazouya nemvura ndikanzwa Jane achiti "
mhamha murikuziva here kuti mangwana baba
nababa Shelly varikuenda kunotsvaka Ropa!"
" Watii?"
"Yhaa ndanga ndichitobvunzwa namai Shelly
panzira apo kuti mai vakanotora Ropa kuShurugwi
vanogara papi ?"
"Hauna kuvaudza kaa?"
" Ndavaudza mhamha ndanga ndisingazive kuti
baba Shelly vanoda kuendako"
"Rega vaende havambonomuwani vanongonomushaya.
Handiti isu takamushaya ?"
Ndakaona Jane agara akabata shaya ndikashaya kuti
chii chiri kuitika kwaari...
" Asi wanga uchida kuendawo here wasuwei
zvakadaro?"
" Ndonzwa mudumbu mhamha, nedzungu nemusoro "
" Inyongo mwanangu, rega ndigokupa karibekandu
mangwana kuseni umbomwa kuti ibude "

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 87 -
Takabika sadza redu nevana vangu tirivatatu handiti
vamwe vanga vaguta mutakura netea? Ndakazorara
ndasuwa nekuti Jane akangodya sadza shoma
ndokutanga kurutsa. Ndakamboda kumupa mushonga
usiku ihwohwo ndikaona kuti angazorara
achingodurura usiku hwese akatadza zvakare kuenda
kubasa isu taseva neboora kudai !

ROPAFADZO
Pandakati cheu ndakashamisika kuona baba Shelly
vachifamba vachipinda pachivanze pamai Tina
vakabata bamukuru ruoko. Ndaida kuvamhanyira asi
ndakabva ndati pasi ngondongondo nemabvi
ndichibva ndatanga kuchema.. Chakandichemedza
ishungu dzekuti bamukuru vangu ibofu asi
vakundikana kugara kumba vasingazive kwandiri...
Ndakazvinzwa ndine mhosva huru nekuti ndakaona
kunge ndavashungurudza nekutiza kumba
kwandakaita......
"Simukai mainini Ropa mubate baba venyu ruoko
vanzwe kuti ndimi vakatambura zvakanyanya kubva
zuva ramakabva pamba "

Ndakasimuka ndichinzwa mabvi angu achiita


kungwenda nekushaya simba ndichibva ndanobata
bamukuru ruoko rwavo. .. Vakaita kundibatawo zvine
simba kunge ndingavatiza vachibva vati, ,
"Ropa mwanangu, ndasimukira iwe. Ndinoziva
hauna mufaro moyo wako uzere kushungurudzika
pamusha pababa vako asi undiregerere nekuti ini
baba vako handione, ndinoda chose kukuvhikira
kubva kuvanhu vasina kana moyo ava asi plan
chaiyo sebofu handina"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 88 -
Vakapiwa pekugara pamushana namhamha vaTina
tichibva tagara ipapo tese.. Ndakazivisa mai vaTina
kuti ndivo baba vangu ava nemwana watete vangu..
Bamukuru vakabva vatenda mai vaTina
nekundibatsira kwavakaita pandaive Shurugwi..
"Musatenda henyu baba, moyo wangu unosina ropa
kana ndichiona mwana uyu.. Napo Mwari ndiMwari
venherera, vanochengeta zvavo pese padzinenge dziri..
Muchiona ndiripano handina runyararo mumoyo
mangu nekuda kwemwana wenyu Ropa uyu..
Marimwezuro hatina kurara kubva zvakasvika
vanaJane namai vake vachizotitukira kuti takaviga
Ropa uyu pano pamba pedu. Takarara tichifamba
mumapako mumigodhi yakacherwa kare irizasi uko
kwaakange amborara usiku hwainge hwapfuura..
Takatozomuwana zuro kuseni kuma4 kuda akanga
amukira kuchienda kubasa.."
"Nzvimbo ino inorema Ropa mwanangu, haisi
nzvimbo yekuti ungarara musango. Inoyera ine
zvirehwa rehwa zvakawanda. Ukatorwa nesango
rino unogona kutetereka mwedzi yakawanda
urimo muno asi pasina anombokuona" ,
ndibaba vakataura vachipukuta maziso nepasi
pemagirazi avo
Mai Tina... "Izvokwadi iyoyo baba kana ini
ndakamuonesawo mwana"
"Tauya kuzokutorai mainini Ropa , baba venyu
vanga vanyanya kutambura ava"
Ndakambonyarara ndichitsvaka nzira yekuti
nditsanangure nayo kuti dai vandisiya havo ndigare
namai ava sezvo vaziva pandiri vanopota
vachizondiona..
" Kubva zvino ndichaedza mwanangu chero
ndisingaone kuti ndikuchengetedze kubva
kunamaiguru vako.Vamwe vanhukadzi havana moyo
mhani"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 89 -
"Kuti mutore mwana uyu ndivimbisei chinhu
chimwechete . Muchanoedza kuti mwana achengete
zvakanaka uyu. Ndikazoonazve orara mumakomba
hapachina kugara pasi. Kurera mwana hakusi
kwemubereki wake chete, . zvinotora dunhu rese
kukudza vana.. Naizvozvo zvikapamhika izvi
ndongomutora ndonanga naye kumapurisa.. Kana
zvadaro moziva kuti pane achaimiririra chete nyaya
yacho.. Ropa enda unogara kumba baba vako vawane
kuzorora ava , usarare musango mwanangu, pano
tinokutambira chero nguva.."

"Ehoi mhamha maita basa.. Mundiregerere zvakare


nekukurarisai makagara musango muchinditsvaka
"
" Ndiri mai Ropa , ndine moyo chero ndisina zvangu
kubereka asi ndinonzwisisa kurwadziwa kurikuita mai
vakakubereka variko nyikadzimu vachiona
uchitambura kudai "
Babamukuru vakavimbisa mhanha vaTina kuti
vaizonoedza kugara pasi namaiguru votaura navo..
Takasimuka hedu tonanga kuzvimota, zvebasa zuva iri
zvakabva zvatokona. Pataifamba baba Shelly
vaitondinhongedzera kwavaimbochera havo kare asi
vakazorega mushure mekunge vabatwa TB vakanzi
vachirega kushanda zvinorema uye pane dust
rakawanda..
Gotsi rangu raiita kurema ndichifamba ndichienda
kumba ndakafuratira mari yangu.. Ko kana kuri
kutopedzisira kuuya kuBoterekwa mari yangu
igozodii ndozoiwana here pandinouya ipapo ?
Takasvika kumba tikawana chiri chibatabishi zvichinzi
Jane arwara.. Iye akanga akafuga zigumbezi akarara
panze pakati pechivanze pane zuva raipisa raiti bhee.
Zvakandinetsa ini kuti Jane chaiye kurwara ?
Kubva zvatakasvika maiguru vaingonditarisa
vasingataure neni.. Chero pandakada kuvakwazisa

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 90 -
vakaisa ruoko rwavo muhomwe yeziapron ravakanga
vakapfeka. Takangotarisana nababa Shelly avo
vakanga votooneka havo voenda.
..
" Mainini Ropa, mukaona zvarema muuye kuzogara
kumba kwangu musaenda kusango mhai, hapana
anombouya kuzokutangai kana murikwangu uku"
" Ehoi baba Shelly. ndakadaro ndichinogara hangu seri
kweimba ndaigotaura nani bamukuru vakanga
vatoneta varara mumba mavo. Ndiriko seri kweimba
ndainzwa maiguru vachiita kunge pachivanze
parikufamba bhiza urimutsindo ndikaziva kuti
vakatsamwa..
"Iwe Ropa! douya ndikupe mitemo mitsva yave
kushanda pano pamba pangu".
Vakadeedzera maiguru ndikademba kuti dai
bamukuru vanga vakamuka vachinzwawo mitemo
mitsva iyi..
"Ropa kubva nhasi pano pamba handikutumi kana
kusuka mugoti chaiwo. Midziyo yangu usabata kana
mugomo wemvura chaiwo kunze kana uchimwa mvura.
Sadza kana tabika ndini ndichakutambidza iwe chako
kugara kana wapedza ndobisa ndiro. Usabata kana
basa pano pamba pangu Chido anoita uyu sezvo Jane
achiri kurwara. Mari kana ukanoshanda unondipa
sezvo ndirini ndinoona kuti pano pamba wadyei ?
Izvozvo hazvibvunzwe.. "

" Ndokumbirawo ruregerero mhamha, ndakanga


ndangogumirwawo kuti shuga chingwa
nemajarina zvamaida ndozviwana kupi asi...."

" Ropa, hatisi padhibheti. Kitchen ino inamai


vamwechete vanova inini.. Kana woda kutonga
wonoitawo kitchen yako "

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 91 -
Ndakapererwa veduwee, unogara sei pamba
pausingaite kana basa kungogara veduwee moziva
zvakaoma sei henyu ? Ndakadzokera kuseri kweimba
ndikanogara ndoshaya kuti ndoita sei nezvandabva
kuudzwa izvi. Ndakangozviudza kuti ndofanira kuudza
bamukuru kana vamuka kuti ndozvave pano pamusha.
Jane airwara zvekurevesa hake, aingoti chero akamwa
mvura chaiyo aipopomedza kurutsa hapana kana
chimwechete chaimbogara mumudumbu make..
Ndakaona mai Shelly vakabata bucket vachitenuka
vachienda kumvura ndikati nechemumoyo dai
varipedyo ndavaudza hangu vataura namaiguru
vandikumbirira ruregerero. Panguva iyoyo ndakaona
havo vodigaira vachiuya kumba vasiya bucket.
Vakananga pandakanga ndakagara vachibva vataurira
pasi vakati
"mainini Ropa, musawanza kugara makatarisana
nemakuva kudai zvinounza mirangariro isina
kunaka "

"Ndiri kutambura mai Shelly. Dai ndakauyawo kurufu


rwagogo ndakafawo pamwe nanamhamha zvaive nani"

ndakanga ndotokundikana kana kutaura nekuda


kwemisodzi yakanga yazara mumaziso angu..
" Ndakatadzei nhai mai Shelly zvandooneswa
nhamo yakadai? "

"Zvinopera mainini zvamadai matokura kana zvanetsa


munoenda kutaundi monoita housegero
kwavasingakuonii. Asi ndauya kuzokuudzai kuti next
time musatizira musango muuye kumba kwangu kana
zvanetsa manzwa!"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 92 -
"Maita basa mai Shelly asi ndokumbirawo mutaure
namhamha mundikumbirirewo ruregerero ndanzi
ndisabata kana chinhu mumba kana kuita basa
ndingogara vachindipa chikafu ndichidya asi mari
yandinenge ndashanda ndovapa sezvo ndichidya
chikafu chavo.. Please muroora wangu ndibatsirewo "

Panguwa iyoyo takanzwa door kuvhurwa ndikaziva


kuti babamukuru vamuka..
Mai Shelly vakabva vasimuka ndokunogara paveranda
ndokudana maiguru varipo.. Bamukuru vakanga
vatogara havo pachair yavo paveranda ipapo..
Maiguru vakauya vakafinyamisa kumeso..
" Mbuya, mainini Ropa varikuti muvaregererewo
mwana akakanganisa kutizira musango mamutuma.
Asi kuzotiwo mwana asabata kana basa mumba mbuya
hamuonewo kuti mazvinyanya here?"

" Chii mai Denis mati Ropa asadii?"


vakaita kuvhundukira bamukuru vachinzwa
zvakadaro..
" Chii chiri kukudyai apa ?, mwana uyu ndakamutuma
akatiza. Imba ndeyangu zvirimo ndezvangu saka kana
ndisingadi kuti zvibatwe imhosva here? "

Bamukuru... " Mai Denis ndaneta kukutsiura


panyaya yemwana uyu. Ndokupa mazuva maviri
ekuchinja maitiro auri kuita. Kana waramba mai
Shelly uzotora vamwene vako vazombogara kwako
padhuze apa anopota achizondiona "
" Haaa sekuru mazuva ose ayo ini ndovapa until kuseni
zuva richibuda, pandodzoka pano ndoda kuwana
zvunhu zvanaka pano pasina izvozvo mbuya
murikuenda kujere imi ndoda kukusimukirai kuenda
Shurugwi chaiko ichild abuse iyi handiti moziva kuti
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 93 -
Magumbo ndakamunyudza nenyaya yekubata mwana
wemurume rough ? Nemi muri kutevera , sekuru
ndovabikira handiti chero muripo hamuvapi chikafu
better munogara kujere tiwane kufurwa nemhepo
pano"

Maiguru vakaita kuvhomora meso vakatarisa mai


Shelly.. Vakatoona kuti variserious havasi kuseka.
" Ehee ngaaite hake basa nevamwe asi next time
adzikame handidi munhu anondisvoresa nevanhu
achitiza asina kurohwa ini!"
" Maita basa mhamha "
ndakadaro ndave kutosimuka hangu kunosuka ndiro
dzakange dzichingodyiwa nenhunzi dziri pachisukiro.
Mai Shelly vakazosimuka voenda havo ndokusvika
pakanga pakarara Jane vakati ,
"hezvo ko mainini Jane vatorwara zvekudai here ?"
Maiguru.. " Aaah arwara uyu vanhu vemuno vanoda
kuona mwana anoshanda nesimba kunge Janet
here vanoroya masikati machena"
Mai Shelly.. (vachifa havo nekuseka ) " Mbuya
musandisetsa imi regai ndobikira baba Shelly
kumba uku tibvirei zvedu ndiani muroyi anenzara
angaroya mainini
Jane vane nyama shoma yakadaro isingazare kana
hadyana apa yakaoma kunge chimukuyu tibvirei
apa!"

Dai ndaive pakanaka ndakaseka zvangu. Mai Shelly


vanotaura zvavanoda ndapota..
Mushure mesvondo rimwechete ndazotorwa
nabamukuru nababa Shelly kuBoterekwa takadzokera
pamaitiro ataingoita ekumuka tichienda kunoshanda.
Jane aimboti akaenda onorwara kubasa oswera
akarara mangwana ombogara kumba. Taishanda
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 94 -
naChido. Handina kumira kuviga kamari kangu asi
ndakanga ndoviga shoma nekuti kusashanda kwaJane
kunobva kwaita kuti mari yatinonoita handover
kumba iite shoma.. NaTina tave maclose friends
zvisingaite. Mabasa anondibatsira kutsvaka
akareruka. Mhamha vake mazuvano havapo
vakambonodongorera kumba kwavo kwavanoti
kurikuvakwa uku.
Sunday yega yega tinozorora hatiendi kubasa nekuti
makorokoza mazhinji anenge ambonoona mhuri. .
Takanga takagara panze pamumvuri naChido
patakaona mota yaidzika yakananga pamba..
Takasimuka tichida kuona kuti ndeyani mota iyoyo..
Payakasvika pachivanze takaona varume vaviri
vakabuda mumota umu vakapfeka zvakafanana ainge
mauniform. Vakapiwa pekugara namaiguru vachibva
vati vafambira kuzo....

End of chapter 10

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 95 -

CHAPTER 11

ROPAFADZO

"Tasvikawo pano, ndipo pamusha pavaAbel Marufu


here pano?"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 96 -
Hana yangu yakarova kunge ichapoya muhembe.
Ndakabva ndaziva kuti vanhu ava ndivanaani vasati
vambotaura kwavabva.. Maiguru vakanyatsogarisika
vakavhura voice rikajeka chaizvo vachipindura
varume vaya..
"Hongu vanangu, hamuna kurasika. Ndipo chaipo
pamusha pavaMarufu vakarara zvavo ndovamutsa
izvozvi "
"Pakanaka amai vamutsei motiunganidzirawo vana
vese varipano pamusha tine mibvunzo yatichabvunza
umwe neumwe tichinyora pasi. Kana tapedzazvo
todzokera nemhinduro dzakasiyana siyana dzatinenge
tawana pano tozokubatai mushure memazuva
mashoma"
"Pakanaka vanangu regai ndivamutse ndichidana
vasikana vauye.."
Vakadigaira veduwee maiguru vachinopinda mumba
makanga makarara Jane ndokupota paseri patakanga
takagara naChido nzeve dzakangoteerera zvaitaurwa..
"Aya mapurisa auya aya mazvinzwa ? Mofanira kutaura
chokwadi mungaroverwa mahara. Baba ava hapana
asingazivi kuti vanorova vanhu pano vachitipisa
nemvura dzinovira pamoto.. Zvose izvozvo mofanira
kuzvitaura mukangovanza munorohwa nemabhatani
sitiki hameno zvenyu, huyai tione.. "
Chido akafambisa achitevera mai vake zistep riya
rekuratidza kuti anoda kunosungirira bamukuru
zvakasimba. Ini ndakaita zvekukweva tsoka hangu
ndichitevera nekuti ndaitoona bamukuru vatakurwa
nevanhu ivava vaendwa navo..Bamukuru
pavakanomutswa vakapopota zvisingaite vachiti
havadi kubiswa pamba pavo...
" Dai matoenda navo vanangu, izvozvi zvavari kuita
ndomagariro avo. Mukatovasiya nhasi mangwana
monzwa kuti vakasara vakauraya munhu
mungafare here ?. Uyu anorwara uyu akapondwa

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 97 -
netsvimbo yavo yavakabata iyo akaita
seachatsemuka musoro"
vakataura vakanongedza Janet..
Man 1.. "Aaah nhai musikana ichokwadi here ?"

akabvunzwa Jane achibva akurumidza kugutsurira


nemusoro zvekusada kunzwika mhinduro yake
nabamukuru...
Man2.. "Manje panga pachida anosigner tibve
taenda navo kana zvakadaro. Hapana here kana
hama yavo iripedyo munin'ina kana
mwanakomana wavo?"
Ndakanzwa ura hwangu kumonyana maiguru vachiti ,
"hama dzavo dzakapera kufa vanangu, iyeyu akamira
apa uyu ndiye dangwe ravo, kuchikoro yaive shasha
haana chaasingagone kusigner uyu"
maiguru vakataura vachinongedzera Jane nemuromo..
Ndakanga ndakatarisira kuti Jane acharamba
kusignira baba vake kuti vanochengetwa kusina kana
hama yavo asi Jane akabva atoti,
" ndipei panosainiwa pacho ndisayine ndonzwa
musoro ndoda kunorara "
Maiguru vakaita kugamhira mudenga kuti
"mupei vanangu kubva zvaakarohwa netsvimbo
musoro unomunetsa.."
Bamukuru vakachema zvakandisiririsa vachiti
vasaendwa navo. Vaingodemba kuti Ropa anosara
akatambura kana ndikabva pano. Ndakabatwa
neshungu ndokutanga kuvabatsira kuchema..
" Ropa ndiani ?, ndeupi? chii chababa ava ndogotwe
ravo here"
"Ndini Ropa mwana wemunin'ina wavo Pedzi. Vabereki
vangu vakafira muBoterekwa neaccident saka
bamukuru ndovanga vachi..... "
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 98 -
"Anosara zvakanaka uyu vanangu tiripo pano
tomuona.."
vakaita kundidimbudzira maiguru ndisati ndapedza
kutaura asi mumoyo ndakati chero vakasara
vakandiponda kusiri kufa ndekupi ?
"Hazviite here kuti munditorewo ndinogara ikoko
kwamuri kuenda nabamukuru ? Ndinosarira ani wangu
pano ndosara ndikaitwa nyama yemagora. Hakudiwiwo
nherera here?"
" Chokwadi kana mashinga kuenda neni toraiwo
mwana wangu ndinogara ndichimuona achidya
chandodyawo"
vakadaro bamukuru vachidemba demba nemisodzi
pamatama..
Man 1... " Isu tanga tafambira ava vane application
yakaitwa approved saka hazviite kuti titakurane
nemusikana uyu panofanirwa kuva neapplication
yoitwa approved nhaika?"
Man 2.. "Oooh musikana. Signer mapages aya ese ari
5 asi whatever chinoitika kunababa vako unofanira
kunge uriwe watichange tichishanda naye nekuti
signature yako inoreva kuti ndiwe wapa baba vako
kuJairos Jiri association nhaika?"
Maiguru.. " Sayina mwanangu chinouya chinoona isu."
Akatambidzwa pen Jane , zvamunoona kusadzidza
kwakashata vanamai kana mazogara endesai vana
kuchikoro vangozokundikana kana mafa pasisina
anovabhadharira school fees.. Ndakatarisa Jane
achipeta maoko ezijuzi rake iro raanongopfeka chero
kuchipisa ndikakaruka ndati,
" Jane unosigner waverenga here maform iwayo?
Uchasigner zvunhu zvichakunetsa mangwana
usingazive kuti uri kuapprover chii ipapo!"
Umwe wevarume vaya akaramba akanditarisa
achiratidza kusabeliever kuti zveshuwa ndini ndiri

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 99 -
kutaura zvakadaro.. Jane akabva ati tuzu akabata pen
ndikanzwa umwe wevarume vaya oti
"yhaa zvotoita panapa ndezvekudai, pamutemo
tanga tichifanira kukusiirai maform aya motora
nguva yenyu kuverenga kana mawirirana
nematerms and conditions akanyorwa apa
mararamiro ichanoita hama yenyu mado's and
dont's amunofanira kutevedza imi sehama
dzemunhu. Kana mabvuma ndopamunosigner asi
apa tanga tongoita chimbi chimbi sezvo mati baba
ava is a threat kuvana asi zvisinei todzoka
neChishanu sarai muchiverenga mapaper aya "

Pavakataura kudaro vakabva vapinda mumota yavo


ndokurova pasi...
" ROPAFADZO mwanangu , uri ropafadzo huru
muupenyu hwangu mwanangu... Handizivi kuti dai
wanga usipo ndaiita sei? Janet, ini baba vako
nyakubereka waunoda kusainira zvausingazivi kuti
ndofira musango? Mwari vakuitire zvakanaka
mwanangu"
vakapfikura bamukuru vachipinda mubedroom
mavo...
"Ropa, apa waakundipa mhosva ka apa !
Kundipusisa. Ndibaba vako ? Zvinei newe kana
vakanogara kwacho ikoko kwavanofanira
kunogara ?"
Me.... "Jane, Jane usade kundinzwa.. Dai uriwe wakaita
bofu nekuti hazvibatsiri kuva nemaziso iwe usingaone,
akuudza kuti vanhu ava vanoshanda kuJairosi Jiri
ndiani? Vane mabedge havana! Mota yavo yakanyorwa
haina! Apa iwe unonzi signer woda kutovapa signature
yako, ko kana baba vaunoti vako vakanochekereswa
wodii? Unoti zvonakidza kunzi nherera? "

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 100 -
Ndakataura ndakagadzirira kuzetekwa zimbama
naJane kana namaiguru asi vese vakaramba vakati
tuzuu vakanditarisa.. Ndakatoona kuti pane zvapinda
mupfungwa dzavo pane zvandataura. Asika kune
vamwe vanhu vasingabvume kuudzwa kana defeat.
Ndakanzwa maiguru voti ,
" Ropa ndichagara ndichikurova mazuva ose kusvika
baba ava vabva pano.. Ruzivo rwako irworwo
rwekutiudza nezvekuti kuapuruvha uchitadzisa vanhu
kutora munhu uchaona zvako ! Uchavatevera kuti
vadzoke vanhu ivava.."

Ndakanyarara zvangu nechemumoyo ndikati


ndorwadziwa runganiko marwadzo kwave kudya
kwangu chero ndikarohwa pahour rega rega
chisingandiuraye chinosimbisa..
Ndakabva pavari ndikanotanga hangu kubika..
Maiguru vakanga vangogara panze vakabata shaya.
Vakarwadziwa nekusaenda kwabamukuru..
Zvoshamisa kuti munhu angade kudzinga murume
wake pamba waakabereka naye vana.. Ndakademba
nechemumoyo kuti ko anonzi Denis uyu aripi chaizvo
havo baba voda kuendeswa kunochengetwa
nevatorwa..
Rimwe zuva takaenda hedu kubasa naChido Jane
semurwere akasara kumba.. Takanoshanda naChido
kusvika kuma12 masikati ndopatakanzwa pemba
kurira... Ndakapererwa kuona mashamwari aJane
achideedzera kuti, "Ropafadzo tiza huya nekuno!"
Ikozvino ndangwara hangu payakangorira ndakaita
kuwinya dress ndokumhanyawo ndichikwidza gomo
kwaienda vamwe, hapana chaindivhiringa kumhanya
bhutsu dzandakatengerwa naTina ungati dzaiita
kundisimudza chaiko. Shamwari dzaRopa dzakaenda
neimwe direction kwavaindidanira ikoko asi
kwairema makata acho kukwidza. Ndave pamusoro
pechikomo pandakacheuka kutarisa pandakwidza

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 101 -
napo uku ndichifemereka ndakaona Tinashe akamira
pamawere akanditarisa... Akatanga kuseka hake
zvikanzi "ndanga ndamhanya kwawanga uri uko
ndichida kumaker sure kuti watiza. Wangwara Ropa
ndafara chaizvo kuti wave kuziva zvenzvimbo ino!"
Ndakagara padombo makumbo angu akanga achiri
kubvunda nekukwira gomo ndichibva ndati,
"nhasi ndangwarawo Tinashe unoti kusungwa
konakidza here apa kumba vanenge vakamirira
chingwa nemargarine zvekujere atleast
ndikaavoider kuenda Shurugwi zvirinani hapana
anondiudza nezvechingwa.."
Takaseka naTinashe mugomo imomo, maive makazara
vamwe asi Chido hake akanga ari kunerimwe side
takakwira nepakasiyana. Tinashe akaramba
akanditarisa achibva ati ,
"Ropa ndokumbirawo"
"Chii chacho Tinashe?"
"Kuti ndive shamwari yako"
"Hezvo ko uri shamwari yangu wani
wakandibatsira pandakasungwa, wakanditengera
bhutsu idzi and unondibatsira pakawanda Tinashe
ndinotofara nezvaunondiitira"
"Okay Ropa handidi kunzi bhudhi Tina newe ini ndoda
kuti ungoti Tina. Friend yako. Kana une problem
ndobasa refriend iroro totaura tobatsirana nhaika ?"
"Ehee friend "
takapanana high five naTinashe tichibva tatanga
kutenuka gomo sezvo vamwe vange vavekuburuka
mota yemapurisa yainge yatodzimba yarova pasi..
Patakadzika tatove pasi mumashure medu maive
nevamwe vakomana vaiteverawo kubva mugomo..
Umwe wacho anongoita zvechibhuru bhuru so kurwa
nevanhu akabva ati ,

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 102 -
"nhasi mugomo manga muchibhowa , ko iwe
Ropafadzo wakaisepi usavi hwedu?"
Takacheukirana naTinashe tichishaya kuti munhu uyu
arikutaura nezvei ? Lucky enough vanhurume
vanonzwanana zvavo matauriro avo. Tina akatanga
kuseka achibva ati ,
"nhaiwe Gari urikutaura nezvei?"
Gari uya akabva atanga kuseka achibva ati ,
"aaah iwe Tinashe unodhuva kuzviita mufundisi.
Mugomo umu kana tambotiza mapurisa soo
ndomukana wekuseva usavi hwedu manje nhasi
taita nzara neboys usavi panga pasina ndosaka
tichibvunza Ropa"
"Ndiyani usavi?"
ndakakaruka ndabvunza nekuti ndaisanzwisisa
kurikuenda nyaya..
Tinashe akaseka zvekubuda musodzi achibva ati,
“ngaipere Ropa, usavi hwavo hunogara kumba kwenyu.
Ndichazokuudza zvakanaka.. But boys musadaro imi"
Vakaseka vanaTina nevakomana vaya wanikwe ini
ndapusa zvangu kushaya kuti kumba kwedu
kunombodyiwa sadza neboora kozogara usavi
hwemakorokoza aya !

End of chapter 11

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 103 -

CHAPTER 12

JANET

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 104 -
Kubva zvandakaziva zvekushanda kuBoterekwa
handina kumbobvira ndaita zvekurovha kubasa.. Mari
iya ukangobvira waibata chete hapana zuva raunoda
kuishaya. Baba vakandirova havo ndikarwadziwa
nyama dzangu asi kurwara kwandinonzwa hakusi
kwekurohwa. Kunenge kwekunyanya kushanda
nekuti dzimwe nguva nyama dzangu dzinoneta
zvekungonzwa kuti dai ndarara. Chikafu chaicho
mazuvano hachinyatsopinda zvakanaka.. Pamwe
chero kuchipisa ini ndinonzwa kachando
zvekutopfeka juzi vamwe vachidikitira...
Handina kufarira kupusiswa naRopa, kundiita munhu
asina njere iye achinyatsoziva kuti ini ndakangwara
plus kuti iye angware ndini ndave kumudzidzisa ,
akabva Zhombe akapata uyu ndozvakaita kuti anorara
kumapurisa kuShurugwi.. Ndakachichengeta
chigumbu ichocho mumoyo ndikati ndomugadzirisa
chete kungwara kwese kunopera... Ini kutaura
chokwadi baba handivadi pamba.. Zvunhu zvese
vanogadzirisa nekuponda vanhu... Mhamha vedu
vanotoshaya mufaro nekuda kwababa.. KuJairos Jiri
havanourawi vanonochengetwa zvakanaka manje
Ropa ondiita kunge dzangu dzisina kukwana..
Kubasa ndakamboenda rimwe zuva asi
ndakangoshanda zvishoma ndokutanga kurwara
ndikaswera ndarara.. Chandonzwa chaicho handigone
kutsanangura..
Zvakatanga kuenda zvichiita nani hazvo ndokutanga
kugwinya ndave kunoshanda zvakanaka asi nyaya
yekusakwanisa kunyatsodya zvandaisidya chaizvo
haina kuchinja.. Ndorwadziwa neshamwari dzangu
dzave kuita Ropa kunge ngirozi. Handichina kana
wekufamba naye ndinenge ndichingove ndega apa
ndichinyatsonzwa kuti varikundiseka nekundisewura
gotsi.. Chidowo hameno kuti akadyiswei naRopa.. Kana
tirikubasa anenge akangoti kwati kwati naRopa..
Ndakabatwa neshungu ndikaona pasina imwe nzira
yekugadzirisa vanhu vanocrosser vamwe saRopa...
Ndakataimira zvangu paakaenda kumvura vari vaviri
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 105 -
naChido.. Ndakavatevera zvishoma nezvishoma
ndainzwa kuda kukwazha vose.. Ndakasvika
ndakabata zijamhu apa moyo wangu waiita kunge
uchatsemuka nehasha... Kubva kusvika kwatainge
taita kuseni ndaingove ne$2 yega.. Vanhu kundipawo
mabasa ndaiita kunge ndakazora matoto ezizi ..
VanaRopa vaingomhanya up and down mari
dzichipinda..
"Ropa , ndavinga iwe "
ndakadaro ndichigadzirisa shamhu yangu zvakanaka
naka ndisingamutarise kumeso...
Ndakabitiridzwa ndikambofunga kudambura vese
pandakanzwa Chido oti ,
"Jane unoziva unongozvivengesa nevanhu ?, ipapa
unoda kumurova akuita sei?"
"Tine basa rakawanda Chido nguva dzaenda, Jane
ndirove ndoda kuchera mvura ndiende"
Dai Ropa akanyarara pamwe ndingadai ndakamurega
nekuda kwemashoko aChido asi apa ndakabva
ndanzwa kudzikisirwa nemashoko ake ndikatoona
kuti ave kutozviita inini.. Kuchitubu kunocherwa
mvura ndini monitor weko. Ikozvino zvatove nani,
kare ndaiti kana uchitanga kuzojoina zvekuchera
mvura izvi waitondipa dhora...Manje Ropa oda
kutondiona kunge ndisina kana zvandiri..
Ndakacheuka ndikaona kusina arikuuya..
Ndakamucheka mutsafu neshamhu kaviri, pandakada
kudira yetatu Ropa akabva aita kunge kanyoka kaye
kanonzi chiva.. Akaita kundiurukira ndokundibata
pahuro tichibva tatsatsaridzana takadaro..
Ndirimunhu anorwa veduwee zvekuti muraini medu
hapana anondirova chero vakomana ndotsikira kure.
Simba raRopa ndainzwa richipedza rangu asi nekuda
kwekuti zvaaitoita izvi zvakandiwedzera hasha
ndakabva ndatozviudza kuti potorwiwa pano.. Ropa
akandisunda zvine simba ndichibva ndadonha...
Kudonha kwandakaita kwakandishamisa nekuti

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 106 -
mongo chaiwo mumajoin angu wakaita kunge
wasasikwa ukaoma..Ndakanzwa kuti rukutu!.. Ndaive
ndisisina kana simba. Ropa akandigara pamusoro
zvekuti ndakanzwa kutadza kufema.. Akandidzemura
mbama imwechete yakasimba ndakarara kudaro
ndichitadza kuzvibatsira nekuvharawo face yangu kuti
isabvanganyurwa, ndakaona nyeredzi masikati
machena kuti n'ai n'ai.. Ndakaedza kuti ndimurovewo
chero chibhakera chimwechete zvacho asi maoko angu
akaramba kusimuka akanga akati gojodoo asina kana
power.. Ropa akaita kundipina nemakumbo ake
ndakarara kudaro zvekuti ndakanzwa rufu
rwuchinhuwa mumuviri mangu nekuti kana
kurwisawo ndaisambogona.. Ndakatanga
kubongomora zimhere kuti Chido amubate.. Aitofa
zvake nekuseka akagara pamusoro pedombo... Ropa
akandirova zvibhakera zvandainzwa kunge ndiri
kurohwa nesando arimaoko..Ndaisavhika maoko angu
akanga azotsimbirirwa naRopa.. Blouse randakanga
ndakapfeka rakanga rawinyika nekugarwa
kwandakanga ndakaitwa naRopa dumbu rese raive
panze..Uku kumagadziko ndaitonzwa kuchipinda
mhepo mongozivawo kumuka na4 apa uchiziva kuti
nduwe haisi mbatya inoonekwa nemunhu wese kana
uchifamba. Ndakanga ndangopfeka kabhurugwa
kangu kamarukusa kakapera pakati pese...
Ndakanzwa munhu akasvika achimhanya
ndokusvikokatanura Ropa pandiri.. Pandakasimudza
musoro ndakaona varimai vaTinashe...
"Usadaro Ropa mwanangu , musatambe nekurwa
munokuvadzana hona sisi vako vakazvitakura ava
"
vakahumana mai vaTina vakabata Ropa ruoko uyo
akanga atsvusa maziso zvinototyisa handisati
ndambomuona akadaro..
"Mimbaaa ndiani ane mimba pano ? Ndiwe Chido ?"
handina kunge ndaona kusvika kwevasikana vaya
vandaitamba navo ndakangozonzwa vogamhira nyaya
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 107 -
mudenga apa ndakanga ndichizvizunza mavhu kugotsi
kwandaive ndakatsikirirwa naRopa. Iye akanga amira
akabata muromo akatarisa padumbu pangu..
"Mundikwanire mbuya imi, mimba moiziva here?,
ndikadya chimunya kuseni ndozvinoita dumbu
rangu rinokura rooma. Musataura zvamusingazive
mhani nxaaa!"
"Taura nemunhu mukuru kwazvo Jane ! Ukadaro
ndokupamha"
Mabwe ese akatinhira vanhu vachikuza Ropa kuti ,
"mupamhe Ropa anoonererwa Jane !! Mudzokorore
Ropa!!!"
Mai vaTinashe vakabva vamira pakati pedu vakati ,
"imbonditeererai vanangu, ndave munhu mukuru.. Jane
ndatokuona kuti une pamuviri.Siya zvekurwa nevanhu
izvi unokuvadzirwa mwana. Hazvishamisi kuti
kutorohwa naRopa uku zvabva pakuti simba chairo
hauchina Jane nekuzvitakura kwawakaita uku.
Unoudza mai vako kumba vakutarise kuti uchakanaka
here ? Musarwa Ropa "
Ndakatadza kana kuvapindura zvandaida kupindura
nekuti ndakarohwa nehana.. Chokwadi chaicho
ndechekuti kubva zvandakabiswa umhandara
ndichangotanga kushanda muBoterekwa neumwe
dread ave kufarira Ropa mazuvano handina
kumbozomira kurara nevakomana.. Pese pataimhanya
tichikwira gomo kana mapurisa auya
ndokwandainorara nemakorokoza pamwe ndopiwa
kamari pamwewo ndongoburuka gomo netsvina chete
pasina mari.. Serimwe zuva pakaridzwa pemba
ndakakwehwa neumwe mukomana anonzi Gari
achibva apinda neni mugomba kuti tivande tisakwidza
gomo.. Patakapinda mugomba umu takawanawo mune
vamwe vakomana vaviri vakanga vavandawo imomo..
Vese vari3 vakandichinjana asi one chete ndiye
akandipa dhora.. Pandakayeuka zvese izvi hana yangu
yakarova but ndakangozvisimbisa nekuti,

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 108 -
"nhumbu bodoo hazviite "
Ropa, Chido nevasikana vaya vakanga vasimira zvino
vanditarisa kuda kunzwa kuti ndotii nemimba
yataurwa iyi! Ndakanhonga bucket rangu
ndokufambisa ndichidzokera ndisina mvura.. Hana
yangu yainge isisina kugadzikana. Ndakamboda
kutevera mai vaTina kuti vanyatsondiongorora kana
chiri chokwadi asi ndakanyara nezvandainge
ndambovaita.. Handina kuzoshanda ndakanovanda
mumakwenzi ndamirira vanaChido kuti tiende
kumba.. Ndakavanda kudaro ndakakaruka ndabatwa
nehope kutozopepuka kwati svibei. Ndakavhunduka
veduwee. Ndakamhanya kutenuka ndakananga
kwatokwirira zvimota. Ndakawana pane vamwe mai
vanotengesera ipapo vakati vanaChido vachangokwira
chimota manje manje. Ndakazomira kwekanguva
pasina kamota kauya. Apa ndaida kusvikirana
nanaChido ndivaudze kuti nyaya yemimba vasamboiti
bufu ndimboona kana zviriizvo..
Ndakazowana chimota asi vanaChido handina
kuvabata ndakatowana vave kumba... Pandakapinda
mumba ndakawana Chido achipfikura kuchema
akagara kuseri kwedoor!

TINASHE
Haa panaRopa ndakanyatsoona kuti
ndirikushamwaridzana nemwana mudiki chaiye.. Gari
made my day, handina kumbofungira kuti kupaparika
kwese kunoita Jane uku akatopedzwa kanonaka kese
nevakomana ? Ndaingoseka zvangu pese pazvaiuya
mumusoro mangu kuti mwana apedzwa soup
nekusevewa nevakomana.. Jane chero tikasiiwa
murima kwemazuva matatu handibate hangu zviya
ini.. Maybe ndikasiiwa naRopa ndingati mudzimu
waro bonga.. Moyo wangu pane zvaunonzwa pese

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 109 -
pandinotarisa Ropa but handidi hangu kunge
ndaakutorera mwana wevaridzi maadvantages
neupenyu hwaari kurarama.. Ropa anondishaisa hope
chero ndakarara neboys kugomo ndogona
kungokaruka ndosekerera ndega zvangu.. Worse
ndikafunga kamushamisikiro kaakaita zuva
raakabvunzwa nezveusavi nanaGari? Ndaida
kutombomugumbukira Gari kuti angataura sei
zvakadaro kumwana mudiki akaita saRopa asi
ndakangoona kuti ndingatohakira zvisina basa usavi
usavi zve papi dzungu raJane paraienda risina
chaperekedza.
Kubva zuva iri ndakatanga kuchengera Ropa pamwe
nekumutsanangurira kuti asambopamha kurara
musango anoitwawo usavi nevakomana. Papi
pavangatemura sadza kugomo iye akarashuka
arimugomba ?? Ndakaona kutya pachiso chake
ndikaziva kuti anzwisisa.. Ndakamutsanangurira
zvairehwa naGari akashamisikawo nazvo..
"Ko kana bamukuru vangu vakazotorwa
vakaendwa navo nhai Tina, unoti ndicharamba
ndichavavhikira ndikasvikepi? Obvious mugomba
ndomandichirara hangu!"

Me ::: "Nhai Ropa inga kumba kwedu unokuziva wani


kunevamwe... I mean kunamhamha vako vanokufarira
vaya?"
Akangonditarisa achibva asmiler Ropa. Mazino ake
maviri akadurikana netumakomba tunobuda
pamatama ake kana achiseka or achitaura ndobva
ndafunga hangu baba vangu vakamunyiwa nemujuru
kare kuti dai varipo vachindipa zano pamwana uyu...
Mazuva akafamba haana kumirira ini ndaimedzera
mwana mate achifamba. Hongu ndakaita plan rekuti
tive mafriends but my heart wants more... Kubasa
taionana naRopa tichikurukura chose asi dzimwe
nguva ndaimuavoider kuchengetedza marwadzo

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 110 -
muhana yangu.. Kutaura naye mazuva ese
ndaitorwadziwa nekuti handikwanisi kumuudza
zvirimuhana yangu..
Rimwe zuva ndakasvika kumba mhamha vachivesa
moto uku vachingodzungudza musoro vomborovanisa
maoko avo vomabereka kumusana.. Ndakatoona kuti
pane nyaya ukaona muchembere vachidai..
Me::: "Ndiudzeiwoka mhamha, kwaitikei?"
Her::: "Aaah iwe Tina douya ugare pasi pedyo neni apa!"
Ndakafambisa hana yave kutorova ndokunogara pasi
pedyo nepavakanogara..
Her::: "Wakambopfimba Jane?"
Me::: (shocked) "Aaah Jane mhamha, ndichizviitirei?"
Her ::;; "Anemimba"
Me :: " Mhaa!"
Her::: "Huru chaiyo mwanangu yatova
kuma3months"
Me::: " Mhamha kaa!, 3months nhumbu maiona sei?"
Her:::; (vakabva vabatwa nesetswa ) "Paanga
achirohwa Tina. Jane arohwa nhasi naRopa dai
ndisina kukasira kusvika ndaiwana asvodza "
Me::: "Mhamha imi musade kundifadza nenhema imi!
Ropafadzo paakati mhaa paya kurova Jane?"
Vakaita kusimuka mhamha ndokutanga kundiitira
drama ravaona nemaonero avazoita nhumbu yaJane..
Mwari vandikanganwire havo. Ndakaseka zvekubuda
musodzi zvangu. Jane kurohwa naRopa!?, Jane mimba
yhooo ndakambobata gotsi chaiko kutomunzwira
tsitsi. Anonanga kunani nekatumbu ikako?.. I could
imagine Ropa nechisalad chake agokunga chibhakera
kurova munhu? Ndakanzwa kudada naye nekuti
kudzorerawo kurova kungamubatsira, angasvikepi
achingorohwa naJane achishungurudzwa?

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 111 -
Mhamha vangu vakapedza kubika tichibva tagara hedu
pasi totanga kudya. Pandakangonokora musuva
wekutanga ndisati ndatombouseva takaona vanhu
vaviri vachisvika pamba vakabudikira nepaseri
peimba.. Paive pakarima plus ini namhamha taive
pamoto saka taisanyatsoona zvakanaka..
Chakandishamisa ibag rakanga rakabatwa ndikashaya
kuti vaenzi vauya zvachose ava ndevepi...
Ndakavhunduka kunge ndichadonhera mumoto
pandakanzwa mumwe wevaenzi vaya oti......."

End of chapter 12

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 112 -

CHAPTER 13

MAI MARUFU

Kare ndaimboshaya kuti mudzimai anozopedzesira


auraya murume akamubisira pfuma chirudzii? Ndave
kuzvinzwisisa , baba Denis ndikawana anongonditi
muchetura uyo ndomuendesa nyikadzimu masikati
machena.. Ndaiti kuda vanhu vekuJairos Jiri
vachandibisira muedzo mukuru uyu pamba pangu
bvaa kwakabvawo nerwana rwunonzi Ropa
ndakakushaya. Vana vanokura vachirara pasi
pomubhedha wakarara mai nababa vanonetsa mhani...
Vana vakakurira muone room hhayi bodo!! Ndakaita
mazuva maviri ndisingaendi kana kutoilet nehasha
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 113 -
pakabva vanhu veJairos Jiri pamba.. Ini ndikaita hasha
mudumbu mangu munofufutirwa zvekuti
ndinongopona nekubudisa mweya chete kudya
ndisingadye. Ndakazviudza kuti vanhu ava vakaita
vhiki vasina kudzoka baba ava ndichaona zvekuita
navo..
Ndakanga ndatobika sadza nebhodho size 4
ndangomirira vasikana kuti vauye kubva kubasa sezvo
mazuvano vachitivigira misoro yehuku yavanotenga
kumamai emusika anobva Shurugwi.. Ndaingonzwa
zvangu kuda zviri zvikangamwahamwa timbozorora
misoro.. Ndakanzwa imbwa kuhukura ndikasimuka
ndomhanya kunotambira vanaJane.. Ndakashamisika
kuona Chido naRopa vari vaviri vachisvika pamba..
Me:::: "Hezvoo ko mukagouya murivaviri Janet
wasarepi?"
Chido:::: "Hatizivi tamutsvaka patanga touya hameno
kwaaenda nemimba"
Me::: (shocked!) "Mimba ?! Ukutii Chido mimba yei?"
Her::: "Eheee mimba mhamha Janet wenyu anayo"
Ndakangobatwa nehasha ndichibva ndadzemura
Chido neseri kweruoko pamuromo ropa richibva
radzatuka. Nhaizvenyu minana rudzii iyoyo ,
Chidochashe mwanana akadai ndiye angandiudza
zvekuti Jane anemimba ini mai vake nyakubereka
ndisingaione? Akakwetsura mhere achipinda mumba
lucky baba vacho vaisavamo vakanga varara .Ropa
ndiye andakaona omupukuta nechijira chinyoro ropa
riye...
"Saka imi musina mimba usavi hwamanheru ano
mauya nahwo here zvandoona makangobata
maoko? Ropafadzo!"
Her:::; "Aiwa hatina mhamha "
Me.. " Pakanaka mvura ndanochera kutsime izere
migomo sadza iro mugokanya nemvura murare

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 114 -
muwane kuzorora mugomuka nenguva mangwana
"
Ndichingopedza kutaura Jane akabva asvika..
Ndakamutambira akanga asina hake chaaive akabata
sezvo bucket rake rainge rauya naChido... Takapinda
mumba takatevedzana naJane asina kana
kumbondiswedza haasizviita mwana wangu izvozvo...
Me.. "Ko zvaitaseiko vamwene magumbukei?
Usatevedzera zvaChido uyu anotaura zvaasingazive "
Her.. "Zvei mhamha ? Atii Chido chamuchemedza
kudai ?"
Me.. "Ati unemimba nhai , akavhengedzera mwana
iyeyu ndamuvhara nembama"
Her.. "Anorevesa mhamha, ndina...."
Me.. "Jane, Jane Jane, ndirimai vako usanditaurira
zvinondipa chirwere chemoyo. Ungaita mimba kuti
wakaroorwa here mwanangu?"
Her.. "NdiTina mhamha , Tina watakaona musi uya
ndiye akandimitisa"
Ndakanzwa kunge ndirikurota. Tinashe here
werunako uya kureva kuti Ropa anga ototorera Jane
mukomana wake munaku uya? Ndakabva ndatotuma
Ropa naChido kuti vamhanye vanodana shamwari
yangu mai Gire panextdoor.. Ndakasvikovaudza nyaya
iripo uye kuti vatomhanya naye Jane vamuperekedze
kwaTinashe muridzi wemimba.. Mai Gire zvunhu
zvinovadawozve. Vakabva vatokumbira dhuku rangu
randakatengerwa naJane pakisimusi yegore rapera
paseri kuti vanoonekerawo semunhu aperekedza
mwenga.. Ndakaona kuti Jane zvekuenda kwaTinashe
haadi ndichibva ndamukwevera seri kweimba...
Me.. "Iwee unoda kuita nherera?"
Her... "Nherera? Nemhaka yei mhamha ?"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 115 -
Me.. "Unovaziva baba vako vakangonzwa kuti
waita mimba ndinopondewa pano pamusha !
Ndozvaunoda?"
Her.. "Aiwa mhamha handidi izvozvo. Regai ndiende
hangu namai Gire"
Me.. "Good ! Nyahwaira unorongedza nhumbi dzako
mumba umo muende."
Vakarongedza ndokutobuda namai Gire. Ndakasara
ndakabata shaya ndakagara pamusiwo ndodzamirwa
nepfungwa. Jane ndaiti achatichengeta kusvika kure.
Handina kunge ndambofunga kuti angamitiswa
panguwa yakadai nezera rakadai.. Ndakatambudzika
ndainge ndongonamata kuti dai waro Tina wacho
akanobvuma nhumbu yacho ndigoendepi nerubaba
rwuya kana rwukanzwa kuti mwana amitiswa..
VanaChido handina kuona kunorara kwavakaita
ndakangozoona mukitchen musisina vanhu
mangosara rumoto rwaifinyinya kurekure nebhodho
rizere sadza.. Ndakanyahwairawo ndopinda
mubedroom ndokukweva ruchira ndonorara
kukitchen.Hope hadzina kuuya, ndakarara usiku
hwese ndakasvunura ndakatarisana naicho chiruvi
chakaita chitema tema nerima raive mukitchen..
Ndakarara kudaro ndakarota muchato.Muchato
muchena chaiwo vanhu vachidya nyama yakanga
yakawanda pakanga paurawa mombe nhatu. Ini ndini
ndaiita kunge ndaive ndakasuwa asi vamwe vaifara
zvisingaite.. Ndakapepuka ndichivhunduka, mumba
makanga matochena..
"Hezvoo asi pano muchakarara here pakagoti zii
sei?
Ndakanzwa hasha namai Sheri anomukira mudzimba
dzevanhu kuseni kwakadaro kunge akarara nenzara..
Her... " Mamuka seiko sekuru nechifuva nhasi ndati
ndizokumutsai ndisati ndaenda kunodzura nyimo
dzangu"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 116 -
Ndakatoshamisika kuti baba Denis vanonzwa chifuva
zvandisingazive Ini! Ndakanzwa ivo vosheedzerawo
vari mubedroom mavo vachiti,
"ndamuka zvirinani muzukuru. Mapiritsi ako
akashanda aya kungoti manheru ndakazotadza
kumwa ndaive ndisina kuwana chekudya"
"Pakanaka sekuru ndichati Sheri akuvigirei
chamungadya mugomwa henyu kuseni kuno "
Him... "Pakanaka muzukuru"
Handina kumboda kubuda mukitchen ndaisada
kutaura naye mai Sheri.. Ndakanzwa kunyarara
ndikati kuda waenda ndichibva ndavhura musiwo
zvishoma nezvishoma... Ndakavhunduka ndonzwa
kuti,
"hezvo ko mbuya mave kurara mukitchen kunge
huku ichangotsotsonya makatsamwira iye Jane
akarohwa namainini Ropa here? Ndichavatsiura
vasadaro mainini Ropa kurova munhu
akazvitakura vanosungwa."
Ndakafambisa ndokusvikobata mai Sheri ruoko
ndokumukwevera mukitchen ndokuvhara musiwo..
"Urikuzviwanepi zvauri kutaura mai Sheri and waudza
vanhu vangani nezvazvo?"
Her... (achiseka) "handisati ndapinda muraini
mbuya vanhu vachakarara ndopinda kana ndobva
kumunda ndovaudza.. Ndakatoudzwa kwatosviba
mufunge "
Me.. "Nani"?
Her... "Nevakomana vakabva kuBoterekwa. Haa
kwanzi dai vasiri mai vaya vekubatsira mainini
Ropa pavakasungwa paya vakatozobata haaa dai
tichitova pamariro egavamwedzi mainini Jane
vasvodza "
Me.. "Mai Sheri handisi kuseka wanzwa ? Siyana
nezvunhu zvemudzimba dzevanhu !"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 117 -
Her.. " Ko mutsai zvee mainini Jane tivatarise kuti
inhema here kuti vakaguta nyemba !"
Ndakabva ndavhura musiwo zvehasha ndichida
kusundira mai Sheri panze asi ndakatovhunduka
kuona baba Denis vakamira pamusuwo vakabatawo
musiwo kuratidza kuti vanga vachida kupinda
vachibva vambomira voteerera zvataitaura...

TINASHE
"Jane ! , urikudei pano?"
Moziva ndakavhunduka pandakaona kuti umwe
wevanhu ava ndiJanet? Kubvunza kwandakaita
ndakaita kunge ndavafungidza zvavanga vakanganwa.
Vakabva vati pakati pechivanze pfurugwada ndokuti
zii vakadaro.. Ndakadana mhamha vakanga vapinda
mumba vachibvawo vabuda..
Her.. "Ndimi vananiko vanangu"
Vakabvunza mhamha vachigara pedyo nanaJane!
Me.. "Nemiwo mhamha hamurioni here zibenzi
rekwaMarufu here iro remimba iri!"
"Iwe chikomana , pawaimitisa mwana uyu
wakanga uchitaura zvebenzi??? Hindava uchifarisa
iwe?"
Confusion yakatama mumusoro mangu ndikasara
ndave sober. Ndakatanga kunzwisisa zvafambirwa
nevanhu ava. Ndakapinda mumba ndokutora stool
yangu yandakaveza nemuonde ndokudzoka
ndonyatsogara pasi..
Me... "Jane , wanditizira ?"
Her.. "Ehee"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 118 -
Ndakaunganidza hasha dzangu ndikadzirongedza
zvakanaka kumusana ndokugara mushe ndotarisana
nevaenzi.
"Amai , ndimi maperekedza mwana.. Mubvunzei kuti
takamborara tese here uye kupi?"
Mai Gire... "Zvagara ndozvamoita vana
vechikomana kana mamitisa , kuda kupusisa
munhu. Muyeuchidze Jane.."
Jane akatanga kupfikura kuchema..
"Ehee Tina wakandiraper mugomba ndatiza
mapurisa ukandikwevera mugomba ukarara neni.
Hapana kana aivapo ukanditi ndikazvitaura
unondiuraya nekuti unoda Ropa kwete ini!
Wakambopererwa zvekuti instead yekutsamwa
unoseka? Mhamha vakabata muromo vakanditarisa
vachiratidza kubeliever zvaitaurwa naJane. Mai vaya
vakabva vati kwarakwashu ndokuti ,
sara nemabasa ako ayo , totuma vana kuzoshanda
mari iwe womitisa mwana mumakomba umu uku
achitiza kusungwa nemapurisa?? Sei wakanhubuka
iwe? Sara pamurume wako Janet usambobva
vakakudzinga uuye utiudze vanopadzingwa pano
vadzokere kwavakabva"
Vakabhidhaira mai vaya ndokunyangarika
murimamo.. Mhamha vakanga vachiti gojodo nemabvi
pasi..
Me... "Janet please!!!, unouraya mai vangu nehana.
Taurawo chokwadi amana ndakamborara newe kupi ?
Zvirinani uti kuda hauna kuona munhu akakukwevera
mugomba tikubatsire kutsvaka baba vemwana wako!"
Her... " Ndaswera kugomo uko ndichishanda Tina
handidi zvekushungurudzwa ndakaneta. Ndipeiwo
pekurara ndirare , paunorara iwe futi. Pawairara
neni wakadii kuzvifunga?"
Dai ndaive ndega muupenyu ndisina mhanha
ndingadai ndakanhonga gashu ndakakwira gomo!
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 119 -
Ndakatenderera kutoedza kuudza Jane nezvanaGari
vaiti vairara naye mugomo asi Janet akati zvanaGari
ndezvakare haana kuita mimba panguva iyoyo
akazoita pandakarara naye.. Ndakanyara mhamha
kuvhura zip ndimubvunze kuti ,
iyi here iyi wakamboiona here iwe?
chokwadi ndakanyara hangu ndaida kubvunza ini
nekuti ndakanyatsoona kuti Jane anotondinyudza
ndikapusa..
"Wakazviita here mwanangu?"
Moziva ndakavhunduka nemubvunzo wamhamha uyu
wekutanga kubva zvakatanga Jane
kutaura..Ndakashaya kuti mhamha ndovatsanangurira
sei zvavanganzwisisa. Ndainge ndichiri kufunga nzira
yekunyatsotsanangurira mhamha pandakaona
vosimuka vakabata bag raJane.Ndakaedza kuti
mhamha regai nditsanangure asi vakaratidza kuti
hapachina hapo chandingakwanisa kuvaudza
chinochinja nyaya yaJane...
Ndakasara ndakagara panze mhamha ndokupinda
mumba naJane vachibva vavhara musiwo. Ndakaziva
kuti mai vangu vabatikana zvakanyanya and chero
hope havatodziwani nenyaya iyoyi.. Ndakakweva
hangu manyatera angu andakanga ndakapfeka
ndokukwidza ndonanga kugomo kuvakomana
kwandorara.. Ndakasvika vachitopedzisa kudya zvavo.
Ndakavatsanangurira nyaya yandisvikira kumba
vachibva vaumburuka vese nekuseka... Gari ndiye
akazonyanya kundirwadzisa paakati
"heya Tina waidyawo paya mumakomba umu isu
tichizviudza kuti tisu tega??? Unoda shamhu
mupfana iwe kudya panodya vakuru wonakirwa
zvekubva wamitisa?"
"Vakomana andina kurara naJane ini!"
Vakawedzera kuseka zvavo zvekuti ndakabva ndapusa
chaiko... Ndakaedza kuvaonesawo kuti hapana kana

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 120 -
chandakamboita kunaJane asi hapana kana
akazvibvuma...

End of chapter 13

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 121 -

CHAPTER 14

MAI TINA

Zvamunoona miyedzo inongouya wakarivara usina


kana kugadzirira... Uyu mwana anonzi Janet uyu
ndakanyatsozvishaya chaiko kuti zvauya sei maari.
Ndiri munhu mukuru handigoni kumira
nemwanakomana wangu kuti nditi haana kukwevera
mwana wevaridzi mugomba akarara naye. Mwana
akafanana nemombe hairambirwi mangwana
inokunyadzisa yapoya ikanodya straight mumunda
masabhuku. Hapana munhu anoziva Tinashe seni.
Kana achitaura chokwadi ini mai vake ndonyatsoziva
kuti apa arikutaura chokwadi.. Janet nyaya yake
inonetsa pakuti arikuti Tina akamuraper kwete kuti
vaidanana.. Zvamunoona benzi rinenge Jane
rinokusungirira ukaita makore makumi maviri urimo
mujere pasina mhosva yawakatadza.. Zvoshandei
kuzonzi waive innocent iwe wagara mujere.. Jane
ndoda kuti angozozvitaurira nemuromo wake kuti
aripachinangwa chipi..
Zvakabuda Tina onorara ndakabva ndagadzirira Jane
pekurara kunerumwe rutivi ini ndichibva
ndagadzirawo kunerumwe. Ndakagara pamusoro
pemachira ndombodzamisa pfungwa nemashoko
asiya ataurwa namai vaya kuti kana tangomudzinga
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 122 -
Jane nesuwo todzingwa muBoterekwa.. Hatina
sabhuku watakanyoresa kwaari patakasvika muno
saka anozotidzinga anenge atizivirepi uye achizvimisa
misa sani?Jane akangopinda mumachira ndokutotanga
kurova ngonono kuda
ndiwo mafindifuva ekurohwa naRopa ainge omudaro..
Ndakayeuka kuti pane zvatisina kunge tabvunzana
panguva yavasvika...
"Jane , nhaiwe Jane mwanangu"
Her.. "Mhaa"
Akadavirira kuhope
Me. "Ko mimba yako iyi inemwedzi minganiko
mwanangu?"
Her.. (achivhunduka)
'Mimbaaa, mimba ipi?"
Me... "Janet wee nyatsomuka unzwisise zvandiri
kubvunza. Mimba yawati ndeyaTinashe yawauya
nayo ine mingani mwedzi "
Her.. "Aaah handizivi ini handina kumboiverenga
mwedzi yacho "
Me.." Horaiti wati iwe Tinashe akati ukazvitaura
ndokuuraya nekuti ndoda Ropa. Kureva kuti
nhumbu yako iyi wakaibata Ropa avepo. Kubva
zvauya Ropa muBoterekwa mapurisa akauya
kaviri. Zvakasungwa Ropa paya nepapa
marimwezuro uno.. Saka iwe pawakamitiswa
naTina ndepapi?"
Her.. Pakasungwa Ropa"
Me... "Good mwanangu chirara hako.. Kureva kuti
inemwedzi miviri mimba"
Ndakazomborara here ndongofunga kuenda kwaChivi
kunabamukuru vaTina kuti ndinovaudza zvawira
mwana.. Chero vakamuramba havo asi papi
pandingaite kunge haasisiri mwana wavo..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 123 -
Kuseni ndakamuka nguva dzangu dzemazuva ese
ndokutsvaira panze ndokusuka ndiro Janet achakarara
hake.. Ndakabuda ndokukwidza kugomo kunotsvaka
mvura. Ndakawana vanaRopa nevamwe vake chatove
chipatapata vachimhanya nebasa.. Ndakayeva Ropa
achifamba ndikaona kugwinya kurimunyama dzake.
Akauya asina kana chaaigona Ropa akarembera
zvisingaite asi ikozvino yatove shasha..
Ndakarwadziwa nekuti samai ndokwanisa kuona
chinodiwa nemwana wangu. Ndikaisa mukaka
neboora apa ndokwanisa kuona pane sarudzo yake
asati ataura. Tina anoda Ropafadzo kwete
Janet.Zvisinei kumhanya handiko kusvika, chokwadi
chichabuda pachena hacho...
"Mamuka sei mhamha?"
ndiRopa aindikwazisa ini ndainge ndatorivara hangu
nepfungwa nendangariro.
Me.. "Ndamuka zvakanaka mwanangu, naro basa"
Her.. "Tinaro. Vamuka sei sisi Jane"
Me. "Vambomuka havo"
Her... Ehoi mhamha regai timboshanda"
Akamhanya otevera vamwe Ropa chakandinetsa
aisaratidza kusuwa nekuva kwaJane kumba kwedu.
Kureva here kuti Tina anga asati akanda shoko kwaari.
Mazuva haana kumirira isu tinaJane mumba. Svondo
rese rakakwana ndichioneswa mashura akavidzwa
naJanet. Kana kutsvaira mumba maarara
haajaidze.Kungobuda mujira ozvigarira pazuva
akapfeka zijuzi rake.Kusuka kubika ini naTina
takangoramba tine upenyu hwedu hwataingoita kare.
Mimba ndaiiona hangu pazuva pazuva yaimuka
yakawedzera kukura. Nemwedzi yataurwa iyi ndaiona
kuti hazvienderane..Mimba yemusikana ukaona yadai
yatokura chose. Tina haana zvachose kubvira
aswedera pedyo naJane kana kumutaudza chaiko

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 124 -
aingomutarisa. Pandakambomubvunza kuti saka
arikufungei nezvaJane akangoti
kukanda huni mumoto hakusiko kudzimura moto
mhamha, siyai akadaro arikuziva zvaari kuita"
Tina aingoswera kubasa kwake kumba ongouya
manheru kuzodya obuda onorara kwaanosirara.
Ndaitika ndichanzwa muroora wekumboti anoda
kurara panorara Tina rimwe zuva otiwo ndonorara
kwaunorara bvaa kana. Ndiye anototanga
kunowaridza panzvimbo yake mumba pamwe
anotonorara isu tichakatandara naTina. Nyaya yake
yakanditemesa musoro asi ndakatoona kuti kunetsa
Tina panyaya iyi kungatondiruzisa mwana wangu
zvachose. Nyaya dzinobuda kugomo uko zviripachena
kuti mimba haisi yaTina asi semwana
akangotsetsererwawo zvisiri zvake anongodawo
support kubva kwandiri ini mai vake. Kudzinga Jane
kana kupopota haisi solution. Kune matanho akanaka
akajeka anotorwa kana mwana avepo kuti mwana
aonekwe kuti ndewani. Kugara naJane kusvika azvara
hachisi chinhu chinorema kwandiri uye chokwadi
chinogona kubuda musaga asati atozvara.. Zvunhu
zvinoitwa murunyararo kwete zhowezhowe tozotadza
kushanda zvakanaka patanga tichiwana raramo.
Rimwe zuva ndakaona Jane abata bucket oenda
kunochera mvura nechemumoyo ndikati kuda asuwa
shamwari dzake.. Ndakasara hangu ndokusuka ndiro
dzaainge adyira dzaakangosiya pabench.. Pasina
nguva ndakaona achifambisa achifemereka
akarembedza bucket.. Ndakavhunduka ndikati
kuchitubu kuya zvakuriko kwezvirehwa rehwa
pamwe mwana wevaridzi anodaro aona shato..
"Hezvoo kwakanaka here kwawadzoka usina
mvura?
Akangondidzvokora Jane pasina mhinduro apa ini
meso ake ndinoatya sei.. Hameno akakutarisaso meso
ake anoita kunge anezvaanazvo seni anotondibaya
baya zvekuti handigone kuramba ndakatarisana naye
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 125 -
mumaziso ndongonzwa hana kurova. Akangonditi
kwindi kana kundipindura....

MAI JANE
Kushata kwezvimwe kunakawo kwezvimwe..Stress
yevaya vekuuya vakasiya baba Jane pano mazuva ano
yakadzikira.. Pandakanzwa mai Gire vachiti Jane
atambirwa kwanaTina ndakafara kunge ndichabata
denga. Mai Sheri anochiona chete gore rino. Anga
akamirira kuti mwana wangu iite mvana pamba
agowana chekufamba achinditaura. Ndiye
wandichasvinisa matumbu embudzi zuva
remasungiro aJanet.. Baba Denis kubva zuva ravaziva
kuti Jane ave kumurume uye ave nepamuviri havatauri
neni kana neniwo handina chekutaura navo.. Ko ndini
ndakamumitisa here ini, inga ndaingoswera pamba
vana vachimuka vachibuda zvavanoziva wani.. Pamba
pangu mazuvano ndopatsvaira mazuvaose
pachivanze.. VanaRopa vanongomuka vachibuda
ndosara hangu ndichitsvaira tsvaira nekunhonga
madhende nemapepa yadhi yose ndichipisa.
Vakwasha havazikanwe vanokaruka vangosvika
kuzoroora pamba pakasviba. Mai Tinashe
vakambondigadzika mashoko vaya kusaziva kuti vana
vachatibatanidza.. Handisungiri chigumbu zvangu
nekuti ndakagara ndazviona kuti Jane naTina
vanoenderana kwete zvanaRopa. Anozivei Ropa iye
uya.
Ndaitotsvaira hangu kugadzira muround huru
yatisingashandisi iyi kuitira kuti igare
yakangochenawo. Ndakanzwa kutaura panze
ndokudongorera nepawindow. Ndakaona vari mai
Gire vaiswedzana nababa Denis kumumvuri
kwavakanga vakagara.. Ndakabuda

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 126 -
ndonochingamidza sahwira wangu ndokuuya
tadungamidzana tombozvigarira hedu muround
maitonhorera umu..
"Hezvo !, mai Denis usandiudza kuti vakwasha
vatouyisa shoko rekuti vave kuuya kuzosheedzera"
Me.. "Aaah zvamai Gire vasikana. Kungogadzirirawo
hangu sezvo ino yave vhiki yepiri mwana aenda pamwe
vangangouya chero nguva"
Her. "Kana vangouya nemari sahwi undiudze
ndikuperekedze Harare kuMupedzanhamo. Kune
nhumbi dzakanaka dzakachipa heya ini unoti
kuchena kudai ndinowanepi mucheno?"
Me.. "Mupedzanhamo chaiwo ini? Wakamutarisisa here
mukwasha uya. Runako sahwi, agoita ambhuya
vanopfeka Mupedzanhamo?"
Her.. "Asi sahwi pane zvandakakanganwa
kukuudza. Unoziva here mukomana uya Tinashe
ndakangomusiira Jane asi achiramba kuti haana
kumborara naye "

Me. " Ko paya wakati vamubvuma wani?"


Her... "Ehekaa vakamubvuma ndosaka akasara, dai
vasina angadai aripano. Ndirikungoti mukomana
aiti mimba haisi yake"
Ndakambonyarara ndichidzeya kuti chingava
chokwadi ndechipi. Action yakaitwa naJane asingade
kuenda kunowanikwa inotsigira nyaya yamai Gire.
Yoweee ndingasapondwa zvangu nebofu iri here apa
zvarakanyarara kudai ndogoziva kuti rinofungei?
Ndakabva ndatokumbira mai Gire kuti vamboenda
kunoona Jane. Ko zvorambidzwa here kuti munhu
akauya nemuroora adzoke kuzomuona kuti akasara
sei?
Pandakaudza mai Gire pfungwa iyi vakatiwo hapana
kana chakamboipa uye vachinoyeuchidza mukwasha
kuti asazogarisa asina kuzosheedzera..
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 127 -
Pane chinhu chimwechete chinondidya mumoyo
mangu.. Mai Gire vane vana vatatu vasikana
vakaroorwa. Pfuma anodya ega nekuti baba Gire
vakafa kare kare. Ndakajekerwa nepfungwa yekuti
Jane akaroorwa ndogona kana kusanakirwa nemari
yemwana wangu nemadiro anoita bofu iri mari. Iye
akati mapofu azive mari nekungoibata chete obva
aziva kuti iyi ndeyakati ndiani? Pfungwa yakandidya
ikandisuwisa iyoyi..Mai Gire akazosara kubuda ini
ndodyika mukati kati kunge sokisi.. Mazuva ainge ati
fambei baba Denis vachingomuka vogara panze kana
mukitchen vaisapinda.. Dzimwe nguva kuvataudza
vaizvinyararira havo vachikunzwa.. Ndakabuda panze
ndokutora kasaga kangu ndokunogara pamumvuri
pavaive asi ndiri nechekure navo zvishoma kuitira
kana tatadza kunzwana..
"Nhai baba, zvino zvomongogara makanyarara
togoziva kuti makatsamwei here? Zvinoita here
kungozotaura kana vana vadzoka usiku?"
Vakamboramba vakanyarara kwekanguva
ndokuzokosora kosora pave paya vachibva vati ,
"Mai Denis, kunyarara kudai handipengi wanzwa? Iwe
unemeso ekuona asi ini ndinoshandisa brain kuona.
Ndinoona zvekuti dhuu zvese zvaunenge uchiita. Mai
Gire ndivo vatete vaJane?"
Me... "Aizve murikuda kuzama kutii?"
Him... "Mai Gire vanoperekedza Jane kunowanikwa
vane ukama naye? Waimhanyirei iye mwana
akatomitiswa kare? Vatete vake havako Masvingo uko?
Wakadii kuvafonera wakavaudza kuti ndozvaitika
vakauya kuzoendesa mwana sezvo waiziva
kwaanofanira kuenda"
Me... "Nazvino handisi kunzwisisa mhosva yangu"
Him.. "Unosekwa nenyika mai Denis. Vanamai Gire ava
vanotofamba vachikunyeya vachiseka nyaya
dzemumba mako.. Zvemumba zvinoda hama kwete
vatorwa mhani."

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 128 -
Me.. "Hazvina kana basa chakakosha mwana
akanotambirwa kwaakaenda kwangosara kuti
vakwasha vachiuya"
Him.. "Naipapowo uite zvunhu negwara. Vakwasha
havangomuki vangove pano vanotuma shoko vopiwa
zuva. Cecilia anofanira kuve pano vatete vaJane kwete
mai Gire. Hapana mwana wemukoma wangu
akaroorwa ndikasapiwawo mari. Panoroorwa Jane
hatifaniri kuitawo nhafu. Hunge abisirwa futi mwana
wako iye uya wawakadzidzisa utsinye"
Me.. "Mwana wangu ndakarera ndega zvekuti
ndingadana humwe kana oroorwa kuti vanhu huyai
mutore mari bodoo izvo ndozvamusingatowani
mese nehama dzenyu"
Him.. "Pakanaka wochiita hako zvaunoda nemwana
wako. Ndikataura modana veJairos Jiri kuti ndibviswe
pamba pangu. Itai imi munoona isu tisina meso
tinyarare sezvo tichitya kuzonochembera togara
musango"
Ndakasimuka pavari ndaguta nehasha.. Nhai zvoita
here kuti Jane wandakayarutsa ndega ndonzi dana
humwe yekungopa vanhu mari? Pfungwa yekubvisa
baba ava mumusha zvachose yakandishanyira
zvakare. Hapana anombofungira handiti mazuva apera
ayo vanga vachinzwa chifuva? Plus zvangu hazvireri
munhu panhovo , Chigange wakangoita zuva rimwe
adya sadza rinedovi pano akangofa dumbu
richakaguta sadza. Ko zvangu zvasiyana nevaya
vanoita zvekutenga kaa ini ndini ndinototengesa.
Chokwadi ndakaona iripfungwa kwayo ndookuti
ndikwanisewo kuenda kuHarare namai Gire
kunozvidyira mari yemwana wangu.. Ndakaronga
zvese nezuva riripadyo chose randaizoita basa rangu
baba Jane ngaanamate varume vaya veJairos Jiri
vadzoke mangwana kana nhasi kuzomutora ndisati
ndamuperekedza kuJairos Jiri isingadzokwi.
Ndakatozodokerwa ndapedza urongwa hwangu
ndakatochera guva rababa Denis mumusoro mangu
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 129 -
ndatopedza navo.. VanaRopa naChido vakauya
manheru ndikati rega ndimbobvunza Chido kana
amboonawo sisi vake.
"Aaah mhamha Jane tamuona isu. Atombosvika
kwatochera mvura achizocherawo mvura handiti
ndokunochera mai vaTina mvura yekumba, anofara
hake asi adzokera asina mvura"
Me.. "Huh ! Nemhaka yei ?"
Chido.. "Anga achisveveredzwa nanaNetsai kuti
haanyari kupa Tinashe mimba isiri yake!"
Me... "Iwe Chido iwe !nyaya yako haisangani iyi
handiti Jane akatizira munhu akamumitisa here?"
Chido. "Ndirikungotaurawo zvandanzwa nezvandaona,
inhema here Ropa kuti Jane abva kuchitubu achitiza?"
Ropa.. "Ehee ichokwadi plus vanga vachiti
akatakura mwana wemuvhanganiswa hameno kuti
zvorevei!"
Chido... "Aiwa vati musanganiswa Ropa"
Heyi mhani ndazvinzwa nyararai apa!"
Ndakagwesha nehasha pasi pandakanga ndakagara.
Nhai pwere dzakadai dzinondiudza zvemimba
yemusanganiswa ndochii ichocho?!

End of chapter 14

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 130 -

CHAPTER 15

JANE

Kurohwa kwandakaitwa naRopa kwakandirwadza,


worse kuti mai vaTina vakauya vondisekesa
nanaNetsai nenyaya yavo yemimba. Handizivi kuti
mupfungwa dzangu ndakafungei pandakaudza
mhamha kuti mimba ndeyaTina. Tina haana
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 131 -
kumbobvira andida kana kundipfimba hako asi ini
kubva pandakafunga kurara nevakomana
kuBoterekwa moyo wangu waida chose kurara
naTinashe asi kwekumuwanira panga pasina.. Kuti
Tina azodanana naRopa ndakatarisa ndingarwadziwa
ndosaka ndakafana kunobatira nzvimbo kwanaTina..
Ini pachangu ndaiti kuda zviri nyore kungonongedza
munhu kuti mimba ndeyake otofarira mwana obva
anditambira.Handina kunge ndambofungira kuti pane
zvakawanda zvinotariswa pamimba yacho. Mai vaTina
vakandibvunza kuti mimba inemwedzi mingani
ndakatoshaya kuti zvakakoshei ini vachitadza kufarira
kuti ndikabatsirwa vanenge vave nemuzukuru.
Ndakangovapindura zvavaida kuziva panguva iyoyo
asi chokwadi ndechekuti mimba iyi inogona yakabata
Ropa asati asungwa nekuti pese paiuya mapurisa
ndairara nevakomana asi zuva rakasungwa Ropa
handina.. Ndainge ndave nekanguva ndichinorara
nanaGari neshamwari dzake mbiri munerimwe gomba
riri nechezasi kwekwatoshandira nguva yebasa..
Chakaita kuti ndiite izvozvo inyaya yekuti Ropa aipiwa
basa rakareruka achingoita mari isu tisina
tichingomhanyira mahara... Saka mimba iyi ihuru
kudarika pandakataura kunamai vaTina.
Ropa ndakaziva kuti ndamugadzika mumvura inopisa
chaiyo pakumutorera Tina.. Ndakavatevera kumvura
kurikuda kumushainira ndaive ndakasunga kadhuku
nekazambiya kandakasiirwa namai Gire ndichida kuti
Ropa anoona kuti mudzimai waTina ndiani?
Netsai muzukuru waSatan chaiye , akatanga kutaura
zvaasingazive izvo zvakaita kuti nevamwe vasikana
vaanoshanda navo vanotobva kure neBoterekwa
vandiseke vachindisvoveredza.. Ndakamhanya
veduweee ndaisada kuti mai vaTina vakaruke vasvika
vagonzwa mashoko aitaurwa naNetsai. Kuzotaura
mazita anaGari pamimba yangu! Veduwee mukaona
Gari wacho munopererwa imi.. Chero paairara neni
aingoratidza kuti anongondivenga haambondidi..
Kutoenda paari kunomuudza kuti ndine mimba

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 132 -
pamwe ndeyako ndokwazhiwa neshamhu dzese
dzakazara muBoterekwa ndikasvodza zvangu...
Ndaive ndakagara ndichitonakirwa nemangai angu
andakanga ndakumbira mai vaTina kuti ndibike. Mai
vaTina vakanga varikugomo
vachishanda...Ndakasimudza musoro ndikaona Tina
akamira akanditarisa neziso rakazara ruvengo.
Ndakakurumidza kutarisa pasi ini ndakavhunduka
pamwe nekunyara.. Handinganyepi ndichiti
handizvizivi kuti ndakanyepera mwana wevaridzi
ende zvirikumurwadza zvisingatsananguriki...
Ndakabira zvakare kumutarisa ndikaona
akangonditarisa..
Tina kana pane zvawauya kuzotaura taura kani
haikona kungomira ipapo wakandidzvokora kunge
ndamera mangoe🥭
Him..."Jane, ndaona mhamha varikugomo uko ndikati
rega ndiuye ndizotaura newe tiri vaviri sababa namai"
Me... "Baba namai vei unopenga here?
Ndakamborara newe kupi?"
Tina akaseka zvakatondivhundutsawo..
"Unoziva Jane nguva yese iyi ndaizviona hangu kuti
unopenga asi ikozvino unenge wave kudhunya chaiko
nechimimba cheteam rangu ichi.. Hauna kumborara
neni unozviziva saka unodei pano?
Ndakavhunduka nekuti ndakataura ndisina kufunga...
Ndakamboramba ndakamutarisa ndichishaya kuti
ndomutii ndichibva ndangozomuti ,
kana ukada kundinetsa ndotoridza mhere
ndakananga kugomo izvozvi kunamai vako
Him.. "Inzwaka Jane. Kuridza mhere, kuridza muridzo
kana kuridza mutsindo handinei nazvo.. Urikuona
mukomana akamira pamberi pako uyu anonzi Tina?.
Ivirgin haana kana kumborara nemusikana
chizvarirwo chake chese. Ndichakunyadzisa Janet
Marufu.. Ndirikupamha kukuyeuchidza

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 133 -
zvandakambokuudza, ndoda Ropafadzo kwete iwe!
Ujaya hwangu ndoda kuhupa Ropa kwete iwe dhunyasi
rakadai..

Ndakanyara zvekutadza kumedza mangai akanga


arimumukanwa mangu asi ini zvekufadza Tina achiita
sekuti andikunda pakutaura bodooo! Ndakabva
ndamuti , handina basa neujaya hwako nekuda
kwako Ropa, ini ndini wauchagara naye madhongi
achikuma. Kangamwa zvekurota unaRopa kwauri
kuita uku plus ibva pano unochera nevamwe
varume uko mwana anoda preparation ende
kwaMarufu vakamirira mari..
Him.. "Idya mabagwe amai vangu aya zvakanaka Janet
zvese nesadza redu unakirwe nekufuga magumbeze
asina weti aya asi manje manje uchanoti kwavava wave
kumba kwamai vako. Hakuna mari yangu kana yamai
vangu inoenda kumba kwenyu uchaona zvako"
Me... Urikutamba hako kuendepi kwandoenda
uchandida hako ndiripano"
Akapopota Tina achinditukirira kuti sei ndichinyepa
zvakadaro kusvika pakumunyepera ndisina
kumborara naye. Aingobheja kuti ndoda
kukunyadzisa.. Apa akanga otaura achibuda chivanze
odzokera kubasa..Neshungu ndakadeedzerawo
ndikati
uchademba kuti dai wakatorara neni zvaitove nani
nekuti pano handibvi and mwana uchachengeta
pachena futi
Tina haana kana kucheuka akaramba akasunga rukotsi
achienda..
Ndakasara ndikamwaya mangai andaidya pakati
pechivanze nehasha ndichibva ndatanga kuchema...
Aaah nhamo yangu ini? papi pandinganoudza
vanaGari kuti vakandimitisa ? Vanongorambazve

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 134 -
handiti vaindichinjana vakawanda??? Dai
ndakagara hangu ndataura chokwadi kuna.....
Janet!!!! Unopenga? Wakanyeperei uchindiuyisa
kumunhu wausina kumborara naye? Maiwee kani mai
vangu Mbizi iwe! Ndaingonzwa kuti uribenzi bvaaa izvi
here Jane, kundinyadzisa zvakadai?
Ndakavhunduka kunge ndichadonha veduwee
ndichinzwa mai Gire vachidya gaka mbishi vari
mumashure mangu. Kureva kuti vanga vakateerera ka
pese pandanga ndichitaura naTinashe. Nxaaa pamba
pavo here pavanosvika vasingati tisvikewo !
Ndakavanzwira hasha dzakasangana nenyadzi
neshungu dzekuti vanzwa zvavanga vasingafaniri
kunzwa nekuda kwekunyangira mudzimba dzevanhu!
'Mai Gire pano hapasi pamba penyu mofanira kuti
tisvikewo nekuti murimuyenzi pano. Kuteerera
nyaya dzemudzimba dzevanhu kwakashata mai
Gire ko mukabatwa namai vaTina makahwanda
makateerera motii?
Her... "Handina basa nazvo ini chandoda kuziva
ndechekuti haunyari here kudya sadza revanhu pano
nemimba isiri yepano? Wakamitiswa nani Jane?"
Me. "Handizivi mai Gire vakomana vacho
vakawanda vandakarara navo. Ichi ndochokwadi
mai Gire asi musaudza mhamha ndourawa.."
Her... "Ko Tinashe uyu nhai Jane, akakukwevera
mugomba akarara newe here?"
Me.. "Aiwa mai Gire haana kumborara neni"
Her.. "Tiza pano Jane , ingotiza udzokere kumba nyaya
yako inonyadzisa ende mukomana uya ataura kuti ijaya
haana kumborara nemusikana ndazvinzwa zvose.
Ingomuka usipo udzokere kumba hapana
anombokurova ndotaura navo mai vako. Ini pano rangu
rine man'a iri haufi wakariona zvakare pano.."
Me.. "Ndirongedze tiende tese here mai Gire?"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 135 -
Her.. "Ndibvire ndichiendepi newe ndaenda ini
handimirire matakanana akadai kunyadziswa
ndakatarisa!"
Vakabhidhaira mai Gire vachibuda chivanze
ndokunyangarika mukasango kekubva panaTina
uchienda paroad. Ndakasara ndikambochema
zvakare.. Ichokwadi chataurwa namai Gire kuramba
ndakagara pano hakuna zvakunondipa nekuti
mazuvano chero kushanda ndakambomira apa mwana
anoda preparation.. Ndakagara hangu ndichifunga kuti
ndotiza ndichienda kupi sezvo kwamai Denis
ndichinopondwa hangu namhamha..

DENIS
Vazhinji vangafunga kuti ndiri rombe nekuti ndakasiya
vabereki vangu vachitambura pasina mwanakomana
anovariritira asi bodoo! Mufunge ndaizama kuriritira
mhuri iya sezvo baba vasingaone. Mai vangu
vaisazviona havo vaigara vachida zvakawanda
kudarika zvandinokwanisa kushava izvo
zvakazondipa pressure yekuenda kumangoda
kwaMutare. Hapana wandakaoneka kana
wandakaudza ndakangomuka sendinoenda
kuBoterekwa ndokutorova pasi. Tarisiro yaive
yekunowanawo mari huru kuti baba vazororewo
kutukwa neubofu hwavo namhamha kana pamba
pakava nemari nezvese zvinodiwa namhamha. Shungu
dzaitutuma kuti kuda mai vangu vakanditendawo
nemutupo wangu ndikanzwawo manyawi semunhu
akatanga kuriritira mhuri ndichiri mudiki. Kudzidza
handina hangu ndakagumira gr6.
Kutaura kuno ndakabuda nezuro mujere matanga
takasungwa takabatwa kwaChiyadzwa uko.
Chakanyanya kundinyudza ibanga randakawanikwa
ndinaro muhomwe apa pane munhu akanga abaiwa

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 136 -
nebanga akafa mazuva mana ainge apfuura.
Ndaitofanira kugara nebanga or any weapon nekuti
mabhuru arikunzvimbo iya akawandisa chawawana
chidiki ichocho vanoda chive chavo.. Ndakapiwa
mutongo we4years nhasi ndokubudawo mujere.
Kumusha havachandiziva hameno kuti ndosvika
ndichiti kudii kunamai vaya ini ndisina kana cent..
Imwe pfungwa inombofunga kungodarikira ndonanga
kuZhombe kunabamudiki Pedzi ndonogara zvangu
ikoko vozouya neni kumba.. Ndaingogaya zvangu
bhazi richifuridza road kubuda muMasvingo.. Tsvina
zvayo pahembe nepanyama ndaitonyatsoinzwa kuti
ndiri kunhuwa. Kana kuri kuonda nekufunga mudhara
wangu kuti akasara sei pamba paya namhamha
nemuitiro wavaivaita mudhara tiripo. Kusuwa
hanzvadzi dzangu Chido naJanet vanotofunga kuti
ndakafa zvangu.. Mubhazi ndaiona kunge vanhu vese
varikundionerera kuti idzi dzavhurirwa kujere nhasi
idzi..
Patakangodarika paChachacha tonanga kwedu
kumakorokoza kunanaMusasa zvichienda
neBoterekwa uku hana yakatanga kurova nekuti
ndookumba kwacho kwandatosvika uku.. Mutsipa
wakaita kunge uchatyoka ndichifamba
ndichidongorera kuti kuda ndingaonawo shamwari
dzangu dzandaimboshanda nadzo asi ndakasvika
pakunoburuka paUnki turnoff pasina andaona.
Ndakatomboedza kuenda paitengesera vamaMoyo
pachimusika pavo ndikawanawo pave neumwe
mutumba wembuya wandisingambozivi wave
kutotengesawo ipapo. Ndakabva ndatonomirira
zvimota zvekuenda kumba.
welcome back home Deny
Ndainzwa kunge shiri ndizvo zvadzaiimba pandainge
ndakagara pamumvuri ndakamirira chimota. Pave
paya ndakazoita mhanza ndokuwana mota yevamwe
teacher vakandidzidzisa grade 2 paUnki primary
vaitobvawo kunohodha twunhu twavo.
Ndakangopinda mumota mavo zvechivindi asi
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 137 -
ndakangoziva kuti kana naivo vachademba
chavandikwidzira nezimweya randinaro irori.
Vakandibvunza kuti sei ndanga ndarova kudaro
hapana kana chandakavavanzira ndakavataurira
zvese zvakaitika kwandiri.. Teacher ivavo munhu
akakurira munzvimbo medu and zvechikorokoza
vanotozvinzwisisa ndosaka ndisina kuvanza hangu.
Takasvika pandinoburukira ndokusara asi takanga
tichiri mukukurukura hedu sevanhu vakaguma
kuonana kare..
Ndichasvikako kumba kwenyu mangwana mai vako
vakati ndizotora nyimo
Vakadeedzera teacher vaya mota yotofamba. Ndakaisa
maoko angu muhomwe yezibhurugwa randaive
ndakapfeka raive rakaita mazidhumbu ndokuridza
muridzo ndotenuka kunanga kumba kwamai
Deny.Ndakambonanga kudanga ndichida kuona kuti
kwakanaka here semukomana ndozvekutanga kana
wasvika pamba. Ndakakwira padanga ndokutarisa
kumba ndikaona pasina kana munhu aimbofamba
panze kunze kwehuku dzaingopesana pachivanze.
Ndakaburuka ndokukweva makumbo ndakananga
pamba.. Ndakawana zvechokwadi door repakitchen
rakatovharwa kuratidza kuti hapana vanhu. Mudhara
haana zvake kwaanoenda ndakaziva kuti arimo
mumba akarara. Nzara ndoyanga yondibvunza
chitupa. Ndakatoona kuti mai Jane vakasvika ndisati
ndamwa chero mvura chaiyo ndogona kuzoinyimwa
saka ndakabva ndavhura mukitchen ndokupinda.
Moziva ndakasekerera ndichiona ndiro dzakavharwa
dziri pamusoro pepfihwa ndikaziva kuti nzarayapera.
Kuti sadza rasiirwa ani handina kuda kuzvitsvaka
nekuti munhu iyeye obvious akatombodya nezuro ini
handina. Ndakarova sadza kusvika pakubuda ziya apa
ndairova fast kuti ndikasire kupedza chero mhamha
vakasvika vawane ndaguta ndave nesimba
rekuvatsanangurira kuti ndaivepi pamakore ese aya..
Ndakamwira nemvura sadza nenyama yehanga
yakanga yakabikwa zvemhando chaiyo.

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 138 -
Ndakatozogaya ndapedza kudya kuti ko kana sadza iri
riri ramudhara ndozotii? Ndakambofamba ndichida
kupinda mubedroom mamudhara kuti ndione kana
arimo asi hameno chakanditiwo imbokwira pagomo
apo ugare wozodzika kana vanhu vepano vauya
wongoita kunge urikusvika. Mai Denis ndovatya hama
dzangu. Unonzi rirutse uzadze dheka sadza rangu
rawadya pasina chawauya nacho. Pandakati pote
paseri pemba ndichida kuenda kuchikomo hana yangu
yakarova ndichiona makuva maviri anotoratidza kuti
haasi akare kare. Ndakaswedera pedyo ndokuverenga
zvainge zvakanyorwa ndichibva ndatanga kupfikura
kuchema ndichikwidza chikomo. Bamudiki Pedzi
ndaivafarira sei kubva ndichikura , vaindikururira
chero bhutsu chaidzo kutopfekawo hembe itsva ndivo
vanenge vanditengera. Ndakanochema ndikapedza
shungu asi moyo wangu wakarwadza kuti ko mwana
wavo Ropafadzo aripi ? Hapana akakwanisawo
kundipindura mubvunzo iwoyo. Hope dzakabata
ndiripo paruware ndokurara zvangu nekuneta.
Pandakapepuka ndainzwa kupera simba ndakangoti
kuda kuchema kwandaita. Ndakatarisa kumba
ndokuona utsi huchipwititika mukitchen ndikaziva
kuti vanhu vauya. Ndakananaira ndichitenuka gomo
asi simba rainge rowedzera kupera mumajoin angu.
Ndakapinda pachivanze mhamha vachingonzwikwa
kupopota varimukitchen. Mudhara akanga amuka
agara paveranda. Ndakaedza kuteerera kuti mhamha
vaipopotei asi shoko guru randakanzwa nderesadza
ndikaziva kuti varikupopotera adya musana wehanga.
Ndakasvika ndokunanga paveranda paive namudhara,
chandaida kukasira kugara pasi ndisati ndadonha..
"Makadiiko baba ndiDeny"
"Hee Deni wepi???, Denis here chaiye wangu?"
vakadaro baba vachiita zvekusimuka. Ndakafamba
ndokunovambundikira ndikanzwa manyarariro
avakaita vakandimbundikira kuti moyo wavo
warwadza.

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 139 -
Him.. Urikubuda nepiko mwanangu ukagouya
uchipisa muviri kudaro kwakanaka here?"
Ndisati ndapindura mhamha vakabva vabuda
vachimhanya. Pachinhambo chekuti tikwazisane
vakabva vati,
"wambosvika pano here kana kuti urikutosvika
izvozvi?"
Me.. Ndaanda, ehe ndambo..."
Vakaita zvekurovera pasi paveranda nemagadziko
handingati kugara ikoko nekuti ndakatonzwa kuti
pataa kuratidza kuti varovera nenyama chaiyo mukati
hamuna chinhu.
"rega kundandama Denis ! Hauna kudya sadza ka?"
Me... "Ehee handina"
ndakangopindura zvekuti ndisangosvika nekutukwa
ndaisaziva kuti ndotii?
Panguwa iyoyo ndakatanga kunzwa ku........

End of chapter 15

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 140 -

CHAPTER 16

MAI MARUFU

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 141 -
Ini kazhinji kana ndafunga kuita chinhu handidi
kuverengera kana kukoka humwe kuti raini rose rizive
kuti ndave kuita zvakati.. Baba Denis mazuva avo
pamba pangu akwana ende vakatondiratidza kuti
havashandiki navo kare pavakati ndofanira kudana
hama dzavo kana Jane oroorwa vouya vozongokumba
mari yemwana wangu kunge takamutakura tese
mumudumbu 9months. Manje yemwana wangu
ndosara ndoidya zvakanaka pasina anobvunza kuti
kwasara marii kana kuti waishandisei...
Moyo wangu wakazvipira kupfuudza baba Denis ende
handina kumboona kana chakashata pakupfuudza
bofu risina njere. Woti ubofu woti rushusho ikozvino
voda kuita ruzivo hwekuti mwana wangu aite Reserve
bank yehama dzavo ? Bodoo ndozviramba ini mwana
waGora...
Mushonga wandakamboshandisa kuuraya Zekiya
ndiwo chaiwo unotoda panababa ava.. Zekiya haana
kumbopaswera paakamwa maheu kumunda kwangu ,
munhu womwanana anopopotera muganhu wemunda
unebasa rei ? Mushonga wacho unotanga kumhanyira
kunoodza chiropa ndochinotanga kuita mambuze
chaiwo zvekuti ukapusa tokunzwa uchinhuwa
paunenge wotandadza.. Ndakanotenga hanga
kumapeto kweraini redu kuneumwe mudhara
anotengesa hanga. Ini ndakarima ndakamuvimbisa
kuti ndichazotuma vana nemugomo wenzungu
akabvuma hake..
Kumba ndakabika zvakanaka zvine unyanzvi
zvandakaguma kuita kare kare. Baba Denis ndaida kuti
vafe vachingonanzva zvimumwe.. Handiti vagara
mazuvano vanorwara kwanzi vanonzwa chifuva naiye
muzukuru mai Sheri. Ini kana hanya
zvangu...Ndakapakura ndikaisirawozve baba musana
wehanga nechipfuva. Chirairo chokupedzisira
chatongonzwa nevanoverenga bhaibheri.
Pandakanovamutsa kuti vazodya vakati vainge
vachakaguta vaizodya zvavo masikati.. Ndakadira
kunge Limpopo nehasha ndaida kuti vadye ndiripo
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 142 -
ndonyatsoona kuti vadya ndovasiya vachiora moyo
nemapapu ini ndichienda kumunda asi ndoti
kurumidzei kudzoka munhu anoda kupetwa
kuvharwa maziso achangofa achiri kudziya kana
azogara nguva yakati rebei vamwe havazovhariki..
Vana vangu vose hapana asingazivi kuti kana sadza
riripapfihwa nderababa vavo ravo rinowanikwa
mubhodho hapana anovapakurira..Ndakaisa
zvakanaka sadza rababa vaya papfihwa ndokumhanya
kumunda kwandaida kunonhonga zvimakavhu.
Kumunda kwedu kwakaita kugomo kunowanikwa
nyoka dzemhando yose asi zuva iri ndakatoshamisika
kuona chiva.. Handisati ndambosangana nacho kubva
zvandakatanga kurimako.. Ndakashamisika handina
kuvhunduka nekuti ndoziva zvachoreva ende
ndozvandasiya ndagadzirisa kumba uko saka kwandiri
handingati ishura.. Ndakazosvika ndofuka zvinyimo
zvangu zvimwe zvandakadyarira kumashuresa
kwedzidzi dzodai kudyiwa idzi. Ndakatozopatika
kazuva kati fambei ndokusenga zitswanda rangu
remakavhu ndonanga kumba. Munzira ndaingofunga
hangu, ndakamboti batei yechinyoka chandaona ichi
ndikati yehope dzemuchato dzandakambosangana
nadzo. Haaaa vanopaenda baba Denis hapana
anombovafira..
Ndichisvika pamba ndakashamisika kuona baba Denis
vakati go pachair yavo vachiratidza kuti magwinyiro
avakaita haasi emunhu adya hanga. Ndakavapfuura
ndisina kumbotaura navo ndokunovhura mukitchen.
Ndakashamisika kuona ndiro dzakafuratirana dziri
pasi dzisina chinhu. Ndakanomira pachiwindow
chemukitchen ndokutarisa kuda kuona kana pane sign
yekuti munhu uyu arikufa. Ndakamira kudaro
ndakanzwa ivo voti,
Kana manga musingade nesadza renyu dai
mangotauraka pane kunyepa kuti masiya sadza
rangu imi musina. Ipapa ndanga ndichifanira
kumwa mapiritsi angu emasikati ndarega
handingamwi ndisina kudya

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 143 -
Me... "Hezvooo ko sadza randasiya radyiwa nani ndiro
dzakashama hadzina chinhu, ndiani ambouya pano "
Him... " Haisi mhosva kuti hamuna kusiya sadza,
hapana ambouya pano"
Ndakapererwa asi fungwa yangu yakandiudza kuti
anogona kunge arimai Sheri adya bva umwe moyo
wakaramba, dai mai Sheri anga asvika ndiye angadai
apa sekuru vake sadza irori ndatowana hangu
wekunenera mhosva.. Pasina nguva ndakanzwa baba
Denis votaura panze ndikadongorera nepawindow..
Ndakaona ari Denis ndikamhanya ndichibuda.
Pandakanzwa baba vacho vachitaura zvekudziya
kwake muviri ndakapererwa..
Ndakanetsekana Denis achiti haana kudya sadza asi
ndichitoona kuti mwana arikurwara. Pakuramba
ndomubvunzisisa akabva adonha pasi. Maiwee kani
ndakashaya pekubata.
Baba ndirikurwadziwa mudumbu handizivi chiri
kuitika ndabva zvakanaka kujere kwandanga ndiri uku
asi....
Deni akatanga kutadza kutaura ongoita kunge nyana
reshiri akashama muromo.Moziva kana wapererwa
neplan unohumana? Ndakakaruka ndamuti ,
Denis mwanangu taura kana wadya sadza ranga
ririmumba ndione kuti ndodii?
Hezvoooo ranga rineiko sadza racho rinoda kubatsirwa
munhu?
Mai Sheri vakabvunza vakamira mumashure mangu
kana kuti pamba pangu ainge asvika nguvai
ndakazvishaya...
Nda nda nga ndine nzaara mhamha sorrii ndadya
sadza handi ndi na kuziva kuti nderaba...
Mai Sheri vakamhanya kunotora mukaka kumba
kwavo apa Ini ndaingoridza mhere ndakabata musoro.
. Baba Denis ndivo vakanga vabata mwana wavo ruoko
vachingozhambatata kubvunza kuti
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 144 -
"sadza racho wariiseiko iwe?"
Ndakamhanya chivanze chese ndichishaya pekubata
nekuti mushonga wandakashandisa ndouziva hauna
reverse ende unopedza haumisi.. Mai Sheri vakasvika
nemug izere mukaka ndokuedza kushamisa Deni kuti
vamumwise asi ndakaona vogadzika mug iya kure uko
vachibva vati
"kuenda ka uku sekuru Denis, vatoruma mazino
ava"
Ndakaibongomora mhere, kazhinji pakuchema paya
ndopanohumana vanhuka. Ndakakaruka ndoti
undiregerere mwanangu dai ndaziva kuti urikuuya
ndingadai ndisina kusiya sadza iri, ranga risirako
mwanangu usafa kani dangwe rangu ndozviudza
anikooo!
Mai Sheri. " Mbuya mwana kufa ka ukuu!!! Mauraya
mwanakomana wenyu umwechete muchida
kuuraya sekuru?"
Me... (Nehasha) "Wakokwa nani pano? Denis anga ave
nemakore asipo pano kungouya hake kuzofa! Woda
kupa ini mhosva ndoziva kwaabva here Ini"
Pandaitaura ndakaona Denis achipindudza maziso
achibva ati zii ndikaona mai Sheri omuvhara muromo
ndikamboita kunge ndichanhonga gashu
ndikanozviremberedza.. Kuperaka ka uku mwana
wangu?
Baba Denis vainge vakangobata mwana wavo ruoko
vachiboowa kunge mombe yafirwa nemhuru.
Ndakashaya kuti saka zvese zvirikutaurwa namai
Sheri kuti ndauraya mwana ndichida kuuraya ivo
havana kuzvinzwa here zvapasina chavari
kumbotaura..
Mwana apera uyu, mubisei pano panze mumuise
mumba umo vanhu vasasvika akadai
Patakada kubatirana Denis namai Sheri pakaita
munhu akati "tisvikewo "
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 145 -
Pandakati cheu ndakapera simba kuona.....

ROPAFADZO
Kushanda muBoterekwa risina Jane kongondifadza
soo.. NaChido ikozvino tave kuwirirana zvasiyana
nenguva yaJane iya ndiye aitotivenganisa naChido..
Pakatizira Jane kunaTinashe ndakatoshamisika ka
ndaisaziva kuti Jane naTina vaitodanana
zvekumitisana. Ndakatonzwira Jane tsitsi kuti saka
nguva yese paainyadziswa achitukwa naTina
aitotukirwa chokwadi apa achitove nemimba yake.
Chakangozondibata ndechekuti kana
ndashungurudzwa namai Jane handichina
kwekutizira. Unokusvika sei kwamhamha vaTina
kunaJane??? Akati mazuvano anoita kunge mudzimai
waPrime minister , unowana ageza azora vaseline
kuita kunge apinda mugaba revaseline achinyiminya
kunge tsambarafuta zvake akati mutema mwana
wababa vangu. Apa anenge ataimira kuzotitaudza
tichibva kugomo akasunga kadhuku nezambiya kuti
timuone ka muroora.
Chandakazviudza kubva zuva ratizira Jane kwanaTina
ndechekuti ndofanira kutambira kure kwekure
naTinashe nekuti Jane akambondituka achiti ndoda
kumutorera mukomana wake Tina saka handidi hangu
nyaya dzinozondirovesa mangwana namai vake
ndikazorara mugomba. Ndaiti ndikaona Tina achibva
uko ndovhurira speed kutiza neimwe direction
handitodi hangu kuonekwa ndakamira naye..Iyewo
akatozviona mazuvano haachatevererani neni. Jane
ndoda chaizvo kuti achemberere kwanaTina nekuti
mazuvano kutukwa ndiri kutukwa asi zvava zvishoma
kuda hapana Jane anovaonerera vachindituka
achikushidzira..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 146 -
Pandochengetera mari yangu handina kumbomira
kukanda dhora dhora yatove $70. Kana yakwana $100
ndozoona kuti ndoita sei nayo handingashandi
muBoterekwa kusvika ndakwegura ka. Ikozvino Ble
nevamwe vandaidzidza navo kuEmpress vakandiona
vanowirana nekuseka nematindivariro aita ganda
rangu nekugeza usiku, iwo man'a zvawo nezvingaka
handichatauri . Handingazvikwanisi zvekushanda
kuchera mvura upenyu hwangu hwese.. Pese
pandofungawo kuti ndichabva pamba paMarufu
ndonoonawo zvekuita neupenyu hwangu ndinofunga
babamukuru. Ndinovasiira ani uye vagorarama sei
ndotoona kunge ndini wavakararamira mumusha
muya..
Mazuva aimhanya kunge aiona kuti ndaive neshungu
dzekuti mari yangu ikwane ndione yekutamba.. Rimwe
zuva takabva kubasa takatsamwidzana naChido.
Takangoburana kanyaya kadiki kekuti ndatadza
kupindira paanga achitukana naNetsai. Nhai
ndingapindira nyaya yandisingazive apa Netsai wacho
ndinotomutyawo zvangu. Chido haawanzokasira
kugumbuka asi zuva iri ndakangoti hameno kuti
mashura eyi.. Takaburuka tikafamba
takanyararidzana kusvika taakusvika kumba...
Mira Ropa, ungati pane munhu arikuchema kumba
kwedu
Akataura akaita zvekundibloker road Chido kuti
ndimbomira ndisafamba. Zveshuwa kumba
kwaichemewa ndakatoshaya kuti zvaita sei?
Takambotarisana naChido achibva ati , nhasi Jane
hatina kumuona pamba panaTina pamwe adzingwa
naTina ndiye arikuchema
Dai ndaive pakanaka ndingadai ndakaseka..
Kudzingwa nemurume kungaita kuti munhu
ahwihwidze zvakadaro? Pfungwa dzangu dzainge
dzamhanya dzikamhara panababamukuru ndikaona
variivo varikuchemwa kumba vafa.. Bamukuru
mazuvano vanonzwa chifuva vanokosora zvisingaite.

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 147 -
Hana yangu yakarova apa takanga tofambisa naChido
tichisvika kumba..
Bamukuru vakanga vakagara paveranda
nanaMuganhu nevamwe varume. Maiguru
ndovainyanya kunzwika kuchema varimukitchen.
Nekutya takasvika tikamira seri kwemba tichishaya
kuti tonanga panani achatiudza kuti panei pano
pamusha. Chido akangozokaruka andibata ruoko
akandikweva kuti tinopinda mukitchen apa ini
ndainge ndozviponda nekuchema ndainge
ndarangarira kufa kwevabereki vangu. Patakanoti
pamusiwo wepakitchen takabva tasangana namai
Sheri vachibuda mukitchen vachibva vadzokera nesu
kuseri kweimba..
Vanamainini, pindai mumba muvige mari yenyu
nhasi hapana amuri kupa mari mai venyu
vachambochema. Hanzvadzi yenyu iyi Denis
mainini Ropa hamuna kunge mamboonana
nehanzvadzi yenyu yangosvika pano nekufa
hazvitsananguriki vanamainini zvakaoma

Chido akabva abongomora zimhere ini ndakabva


ndagara pasi, pachinhambo chekuchema
ndakafungisisa. Rimwe zuva ndakanzwa bamukuru
vachidemba vachiti dai Denis akangodaro asina
kuurawa mumakorokoza umu mwana wangu ndiye
angatokuona Ropa mwanangu chero ndikafa
ndinoziva kuti wasara nemunhu asingafe akakurasa
Ipapo ndopandakazochemawo nekuti ndakabva
ndaona kurasikirwawo kwangu nemunhu aigona
kuzondibatsira mangwana. Pasina nguva Jane akabva
asvika pataive takagara tichinyaradzwa namai Sheri..
Hezvoo ko Ropa unochema Denis unomuziva?
akarutsa kutaura zvake mudzimai waTinashe. Ndisati
ndambosimudza musoro kumutarisa kuti nhasi
vakapfekei madam boss mai Sheri vakabva vati,

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 148 -
zvine musoro kuchema hanzvadzi yako yausina
kumboona nekuti iropa rako panekutizira munhu
wausina kumborara naye
Jane akangoti sveverere nemadziro achibva
anyangarika. Pamba pakatozorara pazara vanhu atori
mariro. Ini ndaisatozvinzwisisa hangu. Munhu
angauya kumba after 4yrs kusvika achifa ndisina
kumbomuona here? Vanhu vese vaichema usiku uhwu
asi bamukuru ndovaichema zvaisiririsa zvekuti kana
neni ndainge ndototemwa nemusoro nekuchemera
kuti dai babamukuru vambonyarara vazorora..
Denis akauya akatakurwa nemapurisa usiku kuna10..
Mota yakatakura chitunha ichingobuda babamukuru
vakabva vasara ndokudya gaka mbishi vachiti maiguru
ngavabve vanotora hama dzavo vauye nadzo..
Ndakavhiringika nekuti ndaiedza kubatanidza nyaya
ndichitadza. Kwakasara koyedza maiguru vasisimo
mumusha hameno kuti vakabuda nguvai.. Kuseni
ndaitsvaira mubedroom mamaiguru pakapinda
bamukuru vachida bhachi ravo. Vakabva vanditi,
Ropafadzo mwanangu pamusha pano hapachina
kunaka
Me... "Pano"?
Him... "Pano mwanangu , zuro ndizuro wakandibatsira
kuti ndisatorwa nevanhu vekuJairos Jiri vaya nhasi uno
Denis asvika pano pamba akadya sadza randanga
ndasiirwa namai vako hoyo wafa nemuchetura wanga
wakananga ini"
Me.. "Aaaah vaurawa nesadza renyu ???",
ndakashamisika ndaitadza kuzvibatanidza ini...
Him... Usadya chikafu chinouya chichidana zita rako
mwanangu kunyanya paruzhinji apa unourawa..rega
tivige hanzvadzi yako iyi hapachina chichachinja apa
atofa mwana wangu zvatopera, kana tapedza rufu
urwu ndichakuudza zvinotevera mwanangu ini zvepano

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 149 -
ndakwana hangu dai ndaiona zvaive nani ndaiti
ndirimurume handingatizi musha"

Ndakapererwa kutoona kuti zvechokwadi maiguru


vanga vachida kuuraya bamukuru vakauraya mwana
wavo? Kuzoti iniwo hangu Ropafadzo dzvinyu risina
gushe?

End of chapter 16

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 150 -

CHAPTER 17

MAI MARUFU

Dai ndakaziva pese apa kuti muchato wandakarota


ndairota rufu rwemwana wangu ndingadai ndisina
kumboedza kuda kuuraya baba Denis. Chokwadi
ndinonyarira pai nevanhu vemunyika ino, Dai mai
Sheri asina kunzwa zvakaitika zvaive nani ndairamba
kuti abva akohovedzwa kujere kwaataura akangosvika
achifa. Shoko rekuti Deni anga arimujere rakaramba
rongondidya moyo. Kujere kupi uye akanga aitei?
Ndakanyatsoshaya pekutangira neutsinye hwakadai
kuita mai vanozviurayira mwana.
Pandakasimudza musoro ndakaona Jane achisvika
achikakaradzana nebag raakaenda naro paakatizira..
Dai ndainge ndisina kutarisana nezvese izvi ndingadai
ndakamudzinganisa kunosvika kwaabva. Nhai munhu

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 151 -
angadzoka nebag asati kana asheedzerwa
ndozvakamboita ani izvozvo ?.Ndakangoti
ndozomuona hangu ndinzwe kuti auya nemari
yekusheedzera here?Pamwe ndingatsamwa ka iye
atumwa nemari nemukwasha.. Mapurisa akauya
akatora statement yezvaitika asi ndakashamisika baba
Denis vachitsanangura kuti mwana anga asipo
kwemakore mana atosvikawo manheru ano
achiratidza kurwara ndokungofa pasina zvakawanda
zvaatiudza asi kungoti anga arimujere.Zvesadza
havana kuzvitaura. Mai Sheri vakanga
vakangonditarisa kumeso paitaura baba
Denis.Mapurisa anenge anonyanya kuvimba mapofu
zvakanyanya kudarika isu tinemeso , ndakaona
vachiratidza kugutsikana netsananguro yababa Denis
vachibva vatora chitunha ndokusimuka voenda.
Vamwe vanongofa vachingovigwa wani vasina
kumbotorwa nemapurisa ko wangu mwana
vamutorerei uye ndiani avaudza kuti kwafiwa kuno..
Ndakapatitswa mupfungwa iyi nababa Denis
vakangotanga kupopota kuvharira musha wose..
Mai Denis handidi zvekutaura newe zvakawanda
nekuti hazvidzose mwana wangu, simuka
murunyararo unokumba hama dzako dzose uuye
nadzo pano vazonditsanangurira kuti
ndozvavakadyira pfuma yangu here izvi zvekuti
munhu anondiisira muchetura kuti ndife pedzezvo
oita huku yazvidyira mazai ayo
Ndakazama kuda kutotsanangura kuti ndingagobva
sei pamba ndirini ndinobatwa maoko ndikatoita sekuti
ndadira parrafin murimi remoto riri kubvira
nechekare.. Baba Denis vakati kwanyanu pavakanga
vakagara ndokufamba vachipopota vachiuya
kukitchen ndakaita zvekuuruka ndichibuda mumba.
Ndiri ndodzvanyidzirwa mukona ndingati ndafirei
nhai? Ndakanomira ndave Kunze kwechivanze ukoo
ndokudaidza Jane kuti andisvitse juzi nematenisi angu
sezvo ndaiva ndisina hangu bhutsu.

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 152 -
Ko Jane asvika sei pano munhu asina kana
kusheedzerwa!
Vakapaumba baba Denis nechemumoyo ndikati Jane
achasara achizvipindurira ini ndaenda handidi kufira
mahara pano ini.. Chido ndiye akauya achibvunda
akabata kabag kangu ndokunditambidza..
"Usare zvakanaka Chido mwanangu ndave kuenda
kwaChivi kuda ndichadzoka hameno"
Chido... "Ishuwa here mhamha kuti bhudhi Deni
vaurawa nesadza rababa ramanga ma.."
Iwee muromo sechitemhe nyarara apo!!! Uchafa
urinherera saRopa unongotaura zvausingazivi"
Ndichingopedza kupindura Chido ndakatanga
kufamba ndonanga kuroad. Kwakanga kwasviba
ndaingofambawo ndisingazive kuti ndakanangepi
nekuti kumusha chaiko ndinganosvika ndichitii?
Ndonoti ndakaisa mushonga musadza ndichida
kuuraya murume rikazodyiwa nemwana akafa??
Mwanakomana wangu umwechete? Hezvooo
ndingasabvako ndakaberetswa danda nehanzvadzi
dzangu? Ndichifamba kudaro ndakanzwa munhu
aifambisa mumashure mangu. Pandakati cheu
ndakaona Jane akawinya rokwe achifambisa
achinditevera...
Mhamha mava kuenda futi ini ndanga ndichida
kukuudzai?"
Me... "Kundiudzei nhaiwe Jane? Vanouya riini vakwasha
wotovamisa wovaudza kuti mhamha havako uye kune
rufu mozouya zvapfuura izvi"
Me... Aiwa mhamha ndanga ndichida kukuudzai
kuti ndadzingwa naTinashe ati haandidi anoda
Ropafadzo"
Me... Rega kundipitanisa musoro Janet.. Enda kumba
unogara hapana zvavanokuita baba vako pazere vanhu
paya , ndozouya ndopedzerana naiye Ropafadzo

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 153 -
naTinashe wacho kana ndadzoka. Nxaaa dai Ropa ariye
adya sadza riya zvese zvingadai zvisipo izvi!"
Jane... Aaah saka mhamha nyaya yesadza yanga
ichitaurwa namai Sheri ichokwadi here?"
Ndakatanga kufambisa ndisina kumupindura Jane aida
kuti nditii achasara opulaza samhu handiti
akambosvikawo kuchikoro?
Hanzvadzi yangu duku mumba medu yakavakira
mamaZvihwa yakatama kubva kumusha
kwatakazvarirwa. Ndiyo yandakafunga nezvayo
kunomutora auye neni ndizoviga mwana wangu.
Ndakabva ndatonanga kwaMazvihwa. . Uyu akanaka
haanyanyi kupenga sevamwe ava. Ndakasvika
kwaMazvihwa kunze konoyedza ndakangorara
ndichivuvurika usiku mota dzacho dzichinetsa futi..
Hanzvadzi yangu yakavhunduka ichiona ndichisvika
usiku ihwohwo..
Sisi ndiudze kuti kwawabva kwakanaka mukwasha
nevana vako vose varivatatu vapenyu?
Me... "Ndaisuwira kuti dai zvakamira sekudaro bhudhi.
Muzukuru hakuchina uyu mukomana mukuru"
Him... Saka mukwasha akutuma kuti uzondiudza?"
Me.. Kwete bhudhi haana kundituma andidzinga achiti
ndizotora hama dzangu anofungira kuti ndini ndauraya
mwana wedu."
Him.. Saka iwe wauya pano kuti uzonditora
ndinopupura kumukwasha kuti zveshuwa ndiwe
wakatora zvunhu zvatete zvese zvavaishandisa
tichikuudza mabasa avo erima uchiramba nhasi
woda kuti ndinoita hwitinisi yekuti zvechokwadi
unoroya?"
Me. Giribheti hande unoudza bofu riya kuti rinofa kure
ukooo! Kuroya kwei kwaunondiudza? Kana ukaramba
kuenda neni ndichakuonesa mazamu enyoka pano!"
Him... Handina basa nenyoka inda unotora dzose
dzaunadzo kumba kwako uuye nadzo nemazamu
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 154 -
adzo pano Shurugwi handitsikiko ende pano
hauchatorari ndibudire mumba mangu!"
Hanzvadzi yangu yakandidzinga sembwa ndikatoona
kuti kunourawa nebofu riya ndichiviga mwana wangu
zvitori nani.. Ndakabva ndabata bhazi rekuseni
raienda Gweru ndodzokera hangu. Munzira ndaironga
kunogara pasi naMuganhu ataure nasekuru vake
tipedze rufu rwemwana tozotaurirana

VAMARUFU
Dzimwe nguva ndikafungawo kuti ndaimboona
ndichizvishandira ndinombochemera mumoyo kunge
kamba. Ikozvino ndangove hari yofanzirofa, chipfuyo
zvacho chakangopfuyiwa mumusha. Dai
ndichipfuyiwa nevanhu kwavo zvaive nani! Pamusha
pekuti hapana kana anomuka achikubvunza kuti
zvawarara uchikosora ndepapi parikurwadza.
Handizivi kuti dai vasiri vazukuru vangu
vanaMuganhu nemudzimai wake ndingadai ndichipo
here panyika.Mwana wangu Ropa aita mwanana
pazviri izvi ndiye umwe anondirwira zvake.. Mwari
hameno zvavakada kuti ndisaona kana kuti ndisaita
pavakanditobora meso avakambondipa..
Vanoona varinani vakamboona mwana wangu
mumakore mana apfuura paneni ndakapedzisira
kumuona achimudoko kuzokura kwese ndainge
ndongonzwa inzwi chete kuti ndiDenis mwanakomana
wangu. Kufa kwaDenis kwandirwadza kudarika zuva
randakataurirwa nanachiremba kuti handichazofa
ndakaona zvakare. Ndakarwadziwa asi
ndakangozvinyaradza nekuti
"chero ndirimupenyu, upenyu ndihwo hwakakosha"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 155 -
Ikozvino ndopandodemba kuti dai ndakafa hangu zuva
rimwechetero dai ndisina nhamo yese iyi.. Mwana
kurova makore mana ese tichitoti pamwe akapondwa
namakorokoza nyamba mwana anga arimujere
achisungirwa kuriritira isu tese semhuri? Dai ndaiziva
kuti mwana wangu anofa hameno ndoshaya kuti
pandakamumbundikira achisvika ndingadai
ndakabata papiko kuti ararame!
Ndakarwadziwa kuziva kuti sadza ranga richifanira
kudyiwa neni ndoranditsvata jaya rangu. Handina
meso handione handichina chandichagona kuitira
mhuri, Ropa anoda anomutarisawo anomirawo naye
muupenyu ende munhu iyeye aikwanisa kuzviita
zvese izvozvo ndiDenis. Ndakazvituka
ndikazvishoropodza kuti Mwari ndosaka vakandiita
bofu vakaona kuti ndiri useless.Chandakanonokera
kudya sadza racho ndikafa hangu ini Denis akararama
chiiko nhai! Vakuru vanozoti havo dai ipfungwa
yebenzi asi ndamboramba here ini kuti ndiribenzi
rababa?
Kudzinga mai Denis pamba kuti vanotora hama dzavo
dzaive shungu kuti hama dzavo dzizive zvavaita
mwana wangu asi chokwadi chaicho ndechekuti
handidi kumudzinga pamba pake kana kumusungisa.
Handigone kusara nemusha nevana nekuti handina
zvandogona kubatsira nazvo pamusha pacho kana
kuona kuti vana vadyei. Iye arinani hake anga achida
kuti ini ndibve asare achengete musha nevana. Satan
hameno kwaakabvawo nako akaita kuti mwana wangu
afire zvitadzo zvangu.
Zvakamuka mai Denis vaenda kumusha kwavo uye
chitunha chaDenis chatakurwa nemapurisa pakafuma
pachisvika vamwe teacher vaiti vakapa Denis lift zuro
kwacho. Vakatsanangura zvakandibata kusvika
pakadzika dzika pemoyo wangu...
Vakuru vangu, ndakataura naDenis ini zuro chaiye
ndichibva Shurugwi. Akanga akagwinya
asingamborware. Aiti anga arimujere kwemakore

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 156 -
mana ese aya kutouya kumba kwanga kurikubuda
kwake mujere. Aitonditsanangurira kuti
akasungirwa kumangoda kwaMutare uko
ndookwaakabatirwa. Ndoshamisika kana muchiti
pano pamba hapana akamuona panguva
yaakasvika makazomuona manheru. Denis
ndakamudzikisa pabus stop penyu apa kuma2
masikati.

Ndakarwadziwa chose. Panguva dzacho dzaanoreva


idzodzo ndakatomboda kunotora sadza mukitchen
ndikangoverengera. Chinamanenji hachifambisi
chokwadi. Zvisinei hapachina kudemba kana kuchema
kuchadzosa Denis. Atungamira mwana wangu kana
neni ndinotevera manje manje, papi mai Denis
pavachandirera vachindipa sadza ravo ndirini
ndakatadza kudya muchetura waifanira kuchetura
hwangu ura ndikaregera mwana wavo kuti adye. Dai
kudenga kwaiendwa netsoka ndingadai
ndakangosimuka ndikatsvaka nzira nemudonzvo
wangu ndikaenda..
Mapurisa akamuka achidzoka kuzotiudza kuti Denis
akafa nefood poisoning. Vakati vanaChiremba vaedza
kutsvaka rudzi rwepoison yakauraya mwana asi
vatadza kuona kuti inonzii poison yacho. Ini
ndakavaudza kuti mwana uyu tanga tisinaye
kwemakore mana uye kana paakadyira poison tikada
kupatsvaka toita gore tisina kuviga mwana uyu. Ini
shungu dzanga dzangove pakuviga mwana wangu
chikamu chacho chipfuure.
Mukoma wangu weBhuruwayo akazosvikawo
manheru mapurisa asimuka ndikamutsanangurirawo
zviripo zvose. Akati hazviite kuti mwana aurawe
zvakadaro maiDenis vagotadza kusungwa. Nehasha
dzekuti vana vababa vangu vanondiregerera
hapanawo ane hanya neni ndakamutaurira kuti
kusaona hazvirevi kuti ndave mainini pamba pangu.
Ndichiri baba vemusha ende chandinenge ndataura

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 157 -
ndochinoitika. Ndakamuudza kuti ndakamirira chete
hama dzamai Denis kuti dzisvike pano chitunha chisati
chasvika totaurirana sezvo mapurisa ati vanochidzosa
nhasi manheru..
Mai Denis vakazosvika ave masikati varivoga. Mukoma
wangu akamboti tivarove ndikati hazvishande nekuti
iyewo anotadza wani kurova rake zigadzi risingadi
kana kuona hama yemurume pamusha. Ropafadzo
ndingadai ndinaye here angadai achigarawo
Bhuruwayo ikoko asi zigadzi iroro rakamuramba
pachena baba namai vake vasati vamboputika.
Ndakabvunza mai Denis kuti auya nani
aingohwihwidza kuchema wanikwe ini hasha dzangu!
Mwari vakagona vakandibisa meso pamwe dai
ndakanochemberera kujere ndauraya munhu.
Veukama vakamboungana mumba vachitaurirana kuti
mwana haangaurawi zvakadai agoshayawo justice
yaanowanawo. Justice yei pamunhu aurawa namai
vakamuzvara. Ndakazviramba zvese izvi ndikati regai
mwana wangu aradzikwe azorore.
Chitunha chaDenis chakasvika usiku asi vanhu veraini
vaingoita mahon'era kuti tatadza kusungisa munhu
akauraya mwana tichimuziva. Zvimwechete chero dai
kwainge kwafa ini, zvaishandei kusungisa munhu vana
vosara dzave nherera pano! Ndakamuka ndichitara ini
guva remwana wangu kuti avigwe. Vakamuvhura
vanaMuganhu naiye mukoma wangu vanoti mushonga
waakadyiswa wakaipa hanzi anga asviba kuti ndoo
kunge akarumwa nenyoka nyama yaregedza yave
kungoubvuka. Mukadzi mutakati uyu satan chaiye !
Takamuchengeta hedu Denis kuchiri kuseni.
Patakapedza kuviga Deni vamwe veukama vainge
voda kuziva kuti zvavakamboudzwa kuti Jane akatizira
nepamuviri pamusha arikutsvakei? Ndakavaudza kuti
mibvunzo yavari kundibvunza iyi zvakangofanana
nekundibvunza zvemutv kana mubhaisikopu ndiri
bofu handizvioni handitozivi kuti Jane aripo ini. Nhai
ndozvinetserei nenyaya dzanaJane pamwe kuda
kuziva zvose iwe usina meso ndokwanga

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 158 -
kondiurayisa.. Vanamaiguru vacho ndovakadana Jane
vakamubvunza akati akadzingwa kwaakanga aenda..
Munhu ainzi anoziva nezveko ndisahwira wamai Denis
vainzi vakamuperekedza. Pakaita mhanza yekuti
vakanga vachipo madzimai erayini vachisuka.
Vakadamwa kuti vabvunzwe kuti zvirikufamba sei
pamunhu wavo wavakaperekedza..
Ini handichadi kupinda nyaya dzemuno mumusha,
kunyanya dzaJane uyu.Ndakaenda
ndichinomuonawo kuti akasara sei kumba
kwavamwene vake ndopandakanonzwa mashura
chaiwo. Jane uyu nemuromo wake akataura kuti
mukomana waakatizira uyu haana kumbobvira
arara naye uye mukomana uyu atori jaya
risingazive kana musikana
Vanhu vese vakakanuka asi ini handina. Nhai
ndaitarisirei pamunhu akazungaira saJane
anondisainira kuti ndibve pamba pangu. Kuzungaira
samai..Vanhu vakazopararira zvavo vamwe nevamwe
vonanga kwavo. Ini ndaive nepfungwa dzakadzama
dzandisina wandakamboudza. Mushure merufu
rwemwana wangu ndakaita svondo rese ndiripo
pamba ndisina kumbonokora sadza repo. Kana nzara
ndaisainzwa.. Dzimwe nguva mai Sheri aiuya
nechekudya kana maheu ndomwa aripo kana ndasiya
ndomuti dzokera nawo kumba kwako ndozomada
zvakare mangwana pano haangagari. Mai Jane
vaingonzwikwa kunyangira pachivanze kana
kukosora ndaisavanzwa hameno kuti vaida kuvhara
ani kuti afunge kuti mukadzi kwaye. Mushure
mesvondo ndakaudza Ropafadzo kuti ndaizoda
kutaura naye pedu tega tirivaviri. Akati mangwana
acho sezvo yaive Svondo aisaenda kubasa saka aizoita
kuti tiwane nguva yekukurukura tirivaviri...

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 159 -
End of chapter 17

CHAPTER 18

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 160 -

TINASHE

Kugomo ndainge ndisisina mufaro ndichisekwa


nedzimwe boys nenyaya yaJane. Ini pachangu
yaisanyanya kundidya moyo nekuti ndaiziva kuti
inguva chete Jane achadzokera kwamai vake.. I am 20
now asi handisati ndamborara nemusikana kana
kuhope zvako kurota ndichirara naye.Ndaitozviudza
kuti if it means kuenda kuvakuru hama dzaJane
ndinotariswa ujaya hwangu aripo kana kuchipatara
kumanurse ndozvandaizoita nekuti kuchengeta
mwana wedzimwe horomba bodoo!
Dai ariJane aneunhu zvaive nani, mwana achatambura
upenyu hwake hwese uya. Kungomuka otobuda
kunogara pamushana mhamha vangu ndivo vosara
vobisa magumbeze ake nekutsvaira paarara. Kana huri
usimbe hwaanahwo hunotosemesa. Ndaiona hangu
kuti ave kunakirwa nekumuka achidya akagara
asinganomhanyi nemabucket kugomo uku hameno
kuti mwana wake achamupfekedza mashizha here?
Ndakabva kugomo rimwe zuva ndakatotevedzana
namhamha vaienda kunogadzira lunch kumba. Ndaive
ndaneta ndakangozviudza kuti ndonobatsirana
namhamha kubika fast ndodya ndodzoka, obvious
vaya mbuya taingowana vakagara vasina kana kuvesa
moto.. Mhamha vakapinda mumba umo mainge
makangodzorerwa musiwo ini ndaive ndotobisa dota
panze kuti ndivese moto.
Tina, Tina iwe ko Janet aendepi"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 161 -
Me... "Haamo here mhamha pamwe achambozvibatsira
musango umu angaendepi kugomo anga asiko!"
Her.. "Haa Tina mhani achinozvibatsira nebag
here?"
Ndakafambisa kupinda mumba ndichida kuona kuti
mhamha varikutii ndikaona kuti zveshuwa arova pasi
netwake twese. Ndakanzwa kupindwa nemhepo kana
nzara yandainzwa yakambotama.Ndakafara
veduweee..
Tina rega kunyenama zvakadaro, mwana wevaridzi
anodaro apinda musango kunozvisungirira
Ndakaseka zvekuti mhamha vakamboramba
vakanditarisa.
"Jane nekufa mumutsetse umwechete here mhamha
! Haisi type inozviuraya iya angatouraya ini kana
imi kwete kutora hwake upenyu.. Atiza kuti
ndamuudza kuti ndiri virgin handina kumborara
nemusikana..
Mhamha vakamboramba vakanditarisa ini
ndikatobvurawo serious ndakavatarisawo.. "Ehee
mhamha ndanga ndichifanira kunyarara here ndoita
baba vemwana ini ndisati ndambo...
Mhamha "Tinaaa!" ,
vakazhambatata mhamha kunge vachandiurukira.
Me... "Inzwaika mhamha, ini handina kurara naJane.
Manga makagadzirira here kuchengeta mwana
anababa variko kugomo uko varikuita mari yavo. Jane
haana kana munhu waasina kurara naye gomo rese iri,
hapana asingamuzive Boterekwa rese kunze kwaTina
mwana wenyu uyu (achizvinongedza). Munyama rudzii
kutizirwa nemunhu wausina kumborara naye, zvodawo
arimunhu chaiye like vana..."
Mhamha. "Nyarara mhani Tina rega kudaro,
tozosununguka mangwana tanzwa nanaRopa kuti
Jane akasvika kumba"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 162 -
Me.. "Ndabva ndatoguta zvangu ndaakudzokera
kubasa"
Ndakabva ndangobuda ndikaita kumhanya
ndichidzokera kugomo. Ndainzwa kuda kuudza
munhuwese kuti Jane haasisiko kumba atiza.Ndainzwa
kungofara soo !
Mangwana acho tainge takatarisira kusvika kwaRopa
naChido tinzwe kana Jane akasvika kumba asi havana
kuuya kubasa. Zuva rati kwirei ndopatakanzwa kuti
kwanaJane kunerufu hanzvadzi yake yakashaya zuro
wacho. Vamwe vakaratidza kumuziva uye kurwadziwa
nerufu but ini ndaisamuziva. Matsanangurirwo
azvaiitwa nezverufu rwake ndakanzwa hana yangu
kurova nekuti ndaitonzwa vanaNetsai vachiti mai
vaJane kana vada chaiko nezvako
havambokuswedzi.Ndakanzwa kutyira Ropafadzo kuti
ndiye avangazorega here ivo vachigona kuuraya wavo
mwana!. Ndakashaya kuti ndoona sei Ropa
ndimbotaura naye kuti angwarire hake.
Mazuva akapfuura mashanu ese vanaRopa vasingauye
kubasa. Rimwe zuva ndakazongoona votomhanya
nemabuckets naChido ndakashaya kuti vasvika nguvai
ndisina kuvaona. Ndakaremerwa nekusvika panaRopa
ndainzwa kunge ndave kutoita sebenzi kubva
panaJane ndopinda panaRopa asika Jane handina
kumbogara ndataura naye zverudo plus Ropa
ishamwari yangu saka ndotadzawo kubata shamwari
yangu maoko akasiiwa nehanzvadzi yake! Handina
basa kuti vanhu vachatii vachindiona ndakamira naye.
Ndakafambisa ndichidzika kumvura kwavainge
vaenda. Pandakasvika paari Ropa akaratidza
kuvhunduka nekundiona.
Tina usangouya pandiri unondiisa pashinyaz
namaiguru kana Chido akanondirevera kuti
ndataura newe..
Me.. "Ko hauchabvumirwa kutaura nevanhu here
Ropafadzo.Anyway nematambudziko ka ehanzvadzi
yako"
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 163 -
Her.. "Akaonekwa, ndave kuchera mvura ndiende
Tina uve nezuva rakanaka.."
Me... "Ko Jane akauya kumba here nhai Ropa?"
Her.. "Akauya akataura zvawakamudzingira,
thanks to you ndave kungogara ndichitukwa naJane
namai vake!"
Me.. (shocked) "Kumudzinga? Ini here Ropa? Hanzi
ndakamudzinga ndichitii?!"
Her.. "Handiti wakamudzinga uchiti unoda ini?
Nditori panguva yakaoma kumba uko Tina. Hazvina
kunaka zvawakaita waifanirawo kundifungira
usati wangotaura plus ini handikudi hangu"
Ropa akabva asimudza mugomo wake ndokuenda
ndikasara ndakangoti tuzuu!. Ndaitogaya nhamo yaari
kuoneswa naJane namai vake nemadiro aiita mai
vaJane kuti mwana wavo agare kumba kwedu.
Ndakasara ndichifamba hangu zvishoma zvishoma
ndichikwidza kudzokera kubasa ndichitoshaya kuti
Jane akanoreverei nhema achiti ndakamudzinga...

ROPAFADZO
Kubva zvatabva parufu rwamukoma Denis pamba
panga paakurwadza kugara. Vabereki
havachawirirana zvachose apa ini ndanzwa veduwee,
kutukwa naJane namai vake ndongoona kunge soon
ndichateverawo mukoma Denis. Papi nhai
pavangandirega ivo vakagona kuuraya wavo mwana
wavakabereka..Ndotoshaya kuti zvinotaurwa naJane
kuti Tina akati anoda ini arikuzviwanepi?
Ndakashamisika kunzwa nyaya dzobuda
nekunanamai Sheri kuti Jane akanga atizira munhu
waasina kumborara naye. Zvimwe zvunhu chokwadi

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 164 -
hauseki shuwa, unobva washaya kuti ndihwo udofo
hwacho here kana kuti! Tinashe ndakamubisa palist
yeshamwari dzangu , ndave kutamba naChido
mazuvano iye handichade kana kumuona nekuti
angandiurayisa namai vaJane apa angadai asina
kumbotaura zita rangu pekutotanga pacho..
Bamukuru vakati vaida mukana wekutaura neni tiri
vaviri. Sunday hatina kuenda kubasa takamuka tiripo
hedu pamba. Ndakaita lucky rekuti ndakambosiiwa
pamba Chido namai vake vachienda kumunda..
Maiguru vakanga voita kunge vave neumwe musha
kumunda ndokwavaingomukira vonoswerako kana
tichibva kubasa pamwe taiwana vachitanga kuvesa
moto mumba musina kutsvairwa vachitosvika kubva
kumunda. Kwaive kutya bamukuru ikoko asi ndoshaya
kuti vaityei nekuti bamukuru kubva zvavigwa
mukoma Denis kana mukitchen havapindimo
vanosvibirwa vakagara panze vongozosimuka
vonorara.
Ndakatora mukana iwoyo ndokunopinda mubedroom
makanga makarara bamukuru.. Ndakasvikogara
hangu pasi asi umwe moyo waida kuti titaurire panze
patoona wese anosvika pamba..
Aaaah Ropa mwanangu watopedza zvawanga
uchiita?
Me... "Ehee baba ndapedza, ndauya kuzonzwa
zvamakati tozotaura nezuro paye"
Him.. Hongu mwanangu rega ndimuke
ndinyatsogara ndikurongere"
Vakamuka bamukuru ndokugara havo pacorner yebed
ravo vachibva vati, Ropafadzo, baba vako
ndineurombo kuti handina kukwanisa kuzadzikisa
zvandakavimbisa baba namai vako vachivigwa zuva
riye. Ndakati ndichakuchengeta kusvika wakura
mwanangu asi nhasi uno ndiwe unotondichengeta uye
zera rako ungadai usingamukiri kumakorokoza
hazvina chimiro chakanaka mwanangu hona sisi vako

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 165 -
vakamitiswa kumakorokozako, ndokumbirawo kuti
uzvibate Ropa. Ukamitiswa pano pamba
unotopadzingwa wasiyana naJane anobvumirwa
namai vake kugara negora rake pano
Me.. "Ehoi baba ndichaedza nepandinogona napo,
izvo musazvidya moyo baba dai satan asina
kukutorerai maziso enyu mungadai muchishanda
muchindichengeta"
Imwe nyaya Ropa yandanga ndichida kukuudza
ndeyekuti ini pano pamba ndave kumbobva
Me.. "Kubvaa muchiendepi ?, Ko ini ndo...."
Him... Ndosaka ndati titaure mwanangu. Unonogara
kwaMuganhu ndichataura naye"
Me.. Murikuendepi baba hatikwanisi here kuenda
tese?"
Him.. Ndonogara muShurugwi umu kuseri
kwechipatara kuya kunogara mapofu akawanda
nevamwe vasinawo hama vanotambura"
Me... Kana mandisiya pano baba ndafanana
nemunhu asina hama anotambura, Mai Sheri vane
mhuri yakakura hatingavaremedzi kudaro..
PaShurugwi padhuze apa neBoterekwa toenda tese
ndozopota ndichiuya kubasa muchiwana chikafu"
Him.. Kwete Ropa mwanangu, uchiri mwanana
unofanira kukurira pamba kwete mumugwagwa.
Unosara zvakanaka namai Sheri asi ndoda kuti unoona
pandichange ndichigara kuitira mangwana. Usatye
mwanangu, mapofu anoraramira musango aya
anokwegura kusvika vazofawo nerufu rwaMwari.
Zvirinani kupinda mubhazi uchizondiona pane kupota
paseri pamakuva apo uchizoona guva rangu"
Misodzi yangu yaiita kunge yavhurirwa kuri
kurwadziwa kuti bamukuru vonogara kustreet shuwa
munhu ane hama dzakawanda! Munhu kana ave bofu
haachina achamuda veduwee!

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 166 -
Usafungisisa zvako mwanangu zvitori nani nenzira
iyoyi. Pano pamusha hapasisina kugarika
kwakanaka. Dai usiriwe ndaingogara ndoti
ngavauraye ndiripamba pangu, zvino ndikafa ini
ndoti ndakusiira ani? Unopota uchizondiona
muSelukwe umu
Me... "Ehoi baba saka moenda riini?"
Him.. "Mangwana mwanangu"
Me... (shocked) "Mangwana chaiwo arikuedza here
aya?"
Him... "Hongu mwanangu ndingadai ndaenda nhasi
zvino ndofanira kutaura namai Sheri naMuganhu.
Kana wapedza zvawasiya wanzi uite ugomhanya
wonovadana"
Me.. "Ehoi baba ndinoenda manje manje"
Pakanaka mwanangu ndichafana kurongedza bag
rangu rogara rakanaka
Ndakabuda panze ndikambochema ndiri seri kweimba
ndakatarisana nemakuva evabereki vangu.Sei
vaisatichengetedzawo munezvese zvirikuitika izvi!
Bamukuru vonochemberera mustreet shuwa munhu
ane hama dzimwe dzine mari kungovenga kugara
nebofu mudzimba dzavo? Handina kuzomira
ndakabva ndamhanya kwamai Sheri. Ndirimunzira
kudaro ndakagaya kuti pamari yangu
handingakwanisi here kubatsira bamukuru ndikaona
irishoma chose pakuvabatsira asi umwe moyo
wakangozondiudza kuti babamukuru zvakatonaka
kuti vabve pamba ndozopota ndichinovaona kusango
ikoko varivapenyu..
Ndakanodana mai Sheri nababa Sheri ndikauya navo..
Vakauya vakapirwa nyaya nababamukuru asi mai
Sheri ndovakatotanga kuti sekuru hamuna
kwamunoenda zvirinani muzogara kumba mese
namainini Ropa. Munganoita chibhonda muShurugwi
umu zera renyu iri nyika igotii?

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 167 -
Mai Sheri muzukuru hauzivi zvandinonzwa pamoyo
pangu. Zvakaitika kwandiri hazvisati zvamboitika
kunani zvake ndosaka musingazvinzwisise,
ndakaurayisa mwanakomana wangu handiti
unozviziva?
Muganhu.. "Hamusimi makamuuraya sekuru ndimbuya.
Hamunganogare musango isu tine musha"
Him.. Kana musingade kusara naRopa ndoenda
naye, handidi kuona musha wako uchiparara
muzukuru. Mbuya vako ava ukanditora
vanopindira zvana zvako one by one vachipanda,
ndourayisa vanhu vangani. Zvirinani kunogara
musango asi ndakachengetedza upenyu hwevanhu"
Vakaedza vanaMuganhu asi vakavatadza vakatoti
mangwana ndomukira kuseni.. Mai Sheri
vakatombochema asi hazvina kushanda.Bamukuru
vakapedzisira nemashoko ekuonekana nevazukuru
vavo ndokubva vasimuka vopinda mubedroom mavo.
Takasara takatarisana nababa Sheri nemudzimai
wavo. Maziso ababa Sheri ndaiona akarembera
misodzi.. Ini kuchema ndainge ndapedza ndongoda
kuona zvichaitika..Zvirinani bamukuru vagare
musango ndichishandira ivo panekuti vaurawe pano..
Maiguru vakauya vakarara vasingazive nyaya iripo,
handiti kana kurara mazuvano vanorara naJane vari
vaviri mukitchen.. Ndakarara ndaudza Chido kuti
ndonzwa musoro mangwana handiende kubasa
asandimutsa hake.. Akashamisika kuti saka agoenda
ega? Akabva ati aizomukira onobata vanaNetsai
voenda vese.. Ndakamuka ndichibata bata pamba
ndichiitira kuzoendawo kuShurugwi kunoona
kwaizogara bamukuru. Kamari ndaive nako kubva
zvashaya mukoma Denis maiguru havana
kumbotibvunza mari saka yangu 11 dollars ndanga
ndakachengeta ndichiitira kana
ikazobvunzwa.Maiguru vakangomuka vachibuda
vakananga kumunda. Bamukuru vakazoti kuma9
ndokuti vave kuenda. Ndakavakumbira kuvatakurira

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 168 -
bag ravo ndonovasiya kwavaienda. Vakabvuma havo
ndichibva ndachinja hembe ndokubuda navo.
Ndakatora mari iya yese ndokubuda. Kuenda
kuShurugwi idhora chete plus bamukuru kana
riribhazi havatobhadhare......

End of chapter 18

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 169 -

CHAPTER 19

MAI MARUFU

Kufa kwaDenis hakuna kundiitira nyore. Ini wacho


kufa ndinokutya chokwadi ndingadai ndakazviisawo
tambo ndakatevera mwana wangu. Nyika inonditii
chero ndichizviti handibviri. Dai ndakambobikwa
nemapurisa zvaiva nani ndaiti Denis kwaari mweya
unozorora achiti mai vawanawo punishment diki
iyoyo. Baba Denis havana kuda kuteerera hama dzavo
dzaiti ndisungwe. Izvozvo zvega zvakandiratidza kuti
zvirimumoyo mababa Denis zvikukutu. Havana
wavanotaura naye nezvekufa kwemwana wavo.
Kureva kuti zvese vakapfimbika mumoyo. Zvinoguma
nei?
Munhu ainyanya kukwidza bp yangu pachivanze
ndiJane. Munhu asingagone kana kutsanangura
akamupa mimba ?Ndakaita kunge ndichaputika
neshungu paakadudza kuti zveshuwa haana
kumborara naTinashe. Kureva kuti Ropa ndiye
achatotorwa naTinashe kaa Jane wangu oita mvana
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 170 -
aripamba.?.. Izvozvo ndizvo zvisingambofe zvakaitika
kana ndichifamba panyika. Ndichambopora hangu
kubva mushungu dzerufu rwemwana wangu uyo
akafira mahara mari yacho handina kana cent
randakaona yandaida kuurayira vaMarufu.
Kumunda ndokwandange ndongogara pamba
paisagarika. Mai Sheri aiti akauya pamba pangu
aitaura zvanoda kunge n'anga yasabhuku.
Chinogumbura ndechekuti anenge achitaura chokwadi
ende mai Sheri ukamupindura wamupa manyawi
anobva aita kunge abairirwa mabattery aswera pazuva
.. Izvozvo ndizvo zvaiita kuti nditize pamba pangu
masikati ese ndongozodzoka manheru. Kudzoka
kwakaita Jane kwaakanga atizira baba vake havana
kumbomubvunza kana kutaura naye. Kumunhu
anenjere unotoona danger isati yapinda mumba..
Ndakambozama kuti kunaJane aende kumunin'ina
wangu kuMasvingo anotsvaka basa ariikoko mhinduro
yandakawana dai ndaive ndakagwinya ndingadai
ndakamurova..
Kutsvaka kundidzinga pamba kuti ndinogara
mustreet muMasvingo nemimba ka uku mhamha?
Munin'ina wenyu upi wandisingazive asina
kumbosvika pano pamba chero pakafa mwana
wenyu? Mhamha ini ndakamitiswa ndichitsvaka
mari yekuti mudye, mari yandaipiwa chero rikava
dhora ndaiuya naro kumba ndokupai asi imi moda
kuti ndinogara mustreet?
Ndakamboti pasi gwadagwaa kunzwa Jane achirutsa
mashoko akadai. Kukura kwake kwese mwana uyu
anga ane unhu asingandipindure kuda ndiko
kusakurisa tsewu kwaakaita ave kuona setakaenzana..
Apa zviripachena kuti mimba iyi haitorina baba vakati
tasaa uye ichazvarirwa muno mumusha, madhende
ese arimumba mangu achapera ndichisonanidza kuti
mwana wake apfeke! Ndakanzwa dzungu musoro
ukatenderera ndikashaya kana simba
rekumushawudha Jane. Kutomushawudha futi
kwaizowedzera musindo nekuti aizoramba achitaura
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 171 -
kwaasina kuswera ndikamutema nebadza.. Ndakabva
ndatotakura zitswanda rangu ndikapinda nzira
kuenda kumba masikati iwayo. Hapana
chandaiswerera kumunda naJane achindihumanira..
Ndakanzwa kuzara hasha ndichiona ndiro dziri
pachisukiro dzakazara dish dzichidyiwa nenhunzi.
Ndakangozviudza kuti Ropa nhasi ndomutyoredzera
hubhonzo ihwohwo kana zvirizvo zvaarovhera kubasa
zvekurara, musoro unosuka ndiro here
waangaswerera akarara..
Ropafadzo douya pano handidi kukuvinga mumba
imomo ndokuvhuna mbabvu ndikauyamo
Ndakakwamatata ndakarara pabench mukitchen
ndichinzwa kupera simba nezvamaive muri.. Tsvina
yatangosiya irimo kuseni. Apa Jane akanga atosara
hake kumunda, nemadiro aanoita kurara mazuvano
anotosara akarara pamumvuri ozouya manheru.
Ndakati kwanyanu ndichida kunoona kuti Ropa aita
mari yakawanda zvakadii angachairwa na2 akarara.
Ndakashamisika kuona door repabedroom
rakashama, baba Denis kana vasipo panze vanenge
vakarara mumba saka apa vaendepi? Ndakanyahwaira
ndichipinda mubedroom ndikaona nhumbi dzavo
musina pamwechete negumbeze ravo ravakatengerwa
nehanzvadzi yaMuganhu. Ndakamhanya kunotarisa
mumba mevasikana ndikaona kuti Ropa achinja rokwe
raanga akapfeka uye zvipatapata zvaive pasi kuratidza
kuti apfeka bhutsu kwadzo.. Ndakamhanya kubuda
panze ndokunjeva njeva kwese handina wandakaona..
Ndakadzana dzana ndiripo pachivanze hapana kana
chakauya.. Panguva iyoyo ndakafunga Muganhu,
sekuru vake havana kwavanoenda vasina kumuudza.
Ndakabvisa zvinyatera zvandakanga ndakapfeka
ndokuwinya rokwe ndomhanya kwababa Sheri.
Panguva iyoyo nyong'o inotaurwa namai Sheri
handina kumbofunga nezvayo. Pandakasvika
ndakawana Muganhu akagara pamumvuri weimba
yake akabata shaya..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 172 -
Wazovatorakaa ?, watora sekuru vako kaa kuti nyika
iwane chekutaura?
Muganhu akatanga kuyerera misodzi akanditarisa.
Ndakabva ndati pasi gwadagwa nemabvi pandakaona
muzukuru ochema.
Mbuya ndave kukuvengai, nhasi ngakave
kekupedzisira kenyu kutsika gumbo renyu pamba
pangu. Sekuru vonogara mustreet nekuda kwenyu?
Makaroorwa mbuya imi, ndiani amakamboona
achishungurudza murume nekuti rave bofu ?
Vaisakuchengetai here sekuru ava vachaona ???
Munofara here kugara mumusha umu sekuru
vachinaiwa nemvura mustreet vachipiswa nezuva
uye kupemha kunge vasina musha, musafa maka...
.Ndaiedza kuteerera mashoko aMuganhu pakabva
pasvika mudzimai wake akatakura huni...
Baba Sheri murikuwanza munamato mai ava
vachidokerwa nezuva pano. Ngavaende. Munhu
wepi aneutsinye hwakadaro. Kupanda mwana
wamakazvara nhasi uno murume yave street dhara
nekuda kwezimoyodondo renyu! Ibvai pano fambai
muende kana pamba penyu mukandiona sekuru
vasipo mundityore gumbo rangu iri.
Ndakamboramba ndakati pfurugwada ndichida
kunyatsonzwa kwaienda nyaya asi pandakaona mai
Sheri ovhomora huni pasvinga raakauya naro
ndopandakafambisa ndobuda gedhe ravo..
Ndakafamba ndakavhiringika ndonanga kumba
kwangu.
chaizvo izvo baba Denis vaendepi ende Muganhu
aregerei vachienda? Kureva kuti Ropa ndiye aenda
navo ka asika bag rake ririmo mumba?
Ndakasvika kumba ndikawana Jane akagara
pamusiwo wekitchen achi....

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 173 -

ROPAFADZO
Takasvika kuShurugwi nabamukuru kuchiri kuseni
chose. Ini Shurugwi handinyatsoiziva
ndakangoendako pandakasungwa nekudarika nemo
pandaibva kuZhombe. Bamukuru kunyangwe zvazvo
vasingaone asi ndivo vaitondiudza patakaburuka
paMumvuri kuti famba neapa chikona wakadai..
Takatofamba kadistance ndakavabata ruoko..
Kwataidzika nako kwakanga kusina kana vanhu
kwaive kwakanyarara zvisingaite, ndaive ndototya
kuti ko tikatorerwa bag ravo negumbeze idzva iri
vagodii.. Moyo wangu wairwadza, haisi nyore
kuperekedza mubereki kunomusiya musango..
Takazonosvika pamwe paive nevanhu vanogara
muroad vaya vakawanda. Zvaisiririsa kuona kuti baba
vangu ndipo povosara apa. Vamwe vaivewo mapofu
saVaMarufu asi vamwe vaitoona chaiko vanhu vasvinu
asi vanogara musango vachiita upenyu hwekupemha.
Bamukuru vakandiudza tichiri munzira kuti naivowo
vaizorarama nekumuka vachienda kurank
kwatakaburukira kunopemha.. Ndaisaziva kuti ndoita
sei kuti upenyu hwavo husava hwekupemha nekuti ini
wacho kana kuti kwamai Jane ndonogara kusvikepi
ndaisaziva..
Me... "Baba, ndine mari yandinayo
ndinganokutengerai chii chekudya?"
Baba.."Tenga upfu mwanangu chero kapepa kadiki
ndigopota ndichikumbirawo poto kunevamwe pano
ndichibvuwa "
Me.."Ehoi baba ndodzoka manje manje ndave
kudzokera kwatapfuura mashop kuya"
Ndakafamba ndokudzokera ndikanotenga upfu
nemafuta nemunyu nezvimwe zvidiki.. Ndakabuda

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 174 -
mushop ndokunanga pazvimusika kunotenga muriwo
nematomatoes. Ndaizama kufuridzira kamari
kandaive nako kuti kazokwana kundidzosera kumba..
Pandakasvika pamusika ndakanzwa kudanwa nezita
nevamwe mai vaive pamusika waive kumucheto..
Me..."Makadii mai Shumba"
ndakavakwazisa ndakafara chose mai ava ndovazivira
kugomo kwatoshandira vanouya vachizotengesa. Pese
pandinovakwazisa kana tirikubasa vanondidavira
vakafara fani saka ndakanzwa kufara kuvaona
panzvimbo iyi..
Her.."Ndinofara Ropa ko nhasi hauna kuenda kubasa?
Me..."Aiwa nhasi handina ndanga ndaperekedza
baba vangu kuno kuShurugwi ko
munombotengesera kuno?"
Her..."Eheee tinotengesera kuno Ropa kana 3 yachaya
tosiya vana pano touya kuBoterekwa nezvimwe
zvinodiwawo nemakorokoza seusavi nemadomasi
nemuriwo "
Me..."Okay ndipeiwo madomasi nemuriwo"
(Vachirongedza madomasi nemuriwo mubepa)
"Hezvoo ko kumusha hamuna kurima muriwo here
Ropa!"
Ndakabva ndanyatsoswedera pedyo navo handina
kumbovanyara nekuti vakandisunungukira.
Ndakavaudza chandisvitsa muShurugwi nekuti ndivo
chete munhu andaigona kukumbira kuti vapote
vachipawo baba vangu chero muriwo zvawo
ndichizovapa mari kubasa..
Her... "Ropa!!!! Mukoma wababa vako waungazosiya
musango here?"
Me.. "Handidi kuti vagare musango mai Shumba asi
nerimwe divi varisafe musango pane kumba."
Her.." Kumba kwangu kune chikitchen chekunze Ropa.
Mukomana aigaramo akabuda mwedzi wapera aroora

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 175 -
musikana wake saka chodawo munhu one kwete vaviri.
Unogona kuti baba vako vagare imomo pane musango
maunoda kuvasiya umu"
Me... "Chokwadi here, ndobhadhara marii rent?"
Her... Mukomana uya aibhadhara 10us asi iwe kupera
kwemwedzi unondipa hako $6 kaimba kacho kadiki plus
ndoziva kutambura kwako kubva zvandakakuziva
kuBoterekwa Ropa.. Kana kufa kwevabereki vako
ndakazvinzwa zvose nemadzimai emusika
kuBoterekwa uko."
Me.. "Maita basa, saka ndogona kuvaendesako
izvozvi here?"
Her..."Eheee Ropa hande tinovatora, handigare kure
zvangu ndogara muMakusha umu.. Mari unondipa
zvako kana wave nayo"
Ndakaita kunge ndiri kurota kuti bamukuru vangu
vave kuzogarawo mumba kwete mustreet..
Takanovatora bamukuru vakamboda kuramba vachiti
handione ndozonetsa vanhu asi mai Shumba vakavati
havasi kuzovasiya musango vanotoenda navo kumba.
Ndakatakura bag tichibva tafamba hedu toenda..
Kanotori kadistance kusvika kumba kwavo asi
nemufaro wandaive nawo kana kuremerwa
ndaisakunzwa nekuti mubag ndakanga ndawedzera
zvunhu zvandainge ndatenga.
Takasvika kumba kuya zveshuwa kakitchen kacho
kanotori parutivi pemaindoor paveranda apa. Kadiki
zvako asi zvekuti munhu umwechete agare
kakakurisa. Ndakafara veduweee, ndakabva
ndatotsvaira ndokukorobha uku mai vaya
vaingogudubudza varimumba mavo. Vakazondidana
ndokundipa dish raive nemapoto maviri nemandiro
nemacup. Yaitove midziyo chaiyo yavakandipa kuti
bamukuru vazoshandisa. Ndakapfugama
ndikavatenda veduwee. Ndakatorongedza mumba
mabamukuru ndichivaudza zvose zvandapiwa...
Naivowo vakatenda kunamai vaya..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 176 -
Her.."Baba ndingadai ndisina kumbokupai
pekubikira, ndofanira kubika ndichikuburirai
sadza asi pano hapasweri munhu ini ndoswera
kumusika vana kuchikoro kana vabuda vouyawo
kumusika saka munogona kupota muchibika
masikati kana mave nenzara asi manheru tokupai
zvatinenge tabika"
Him.. "Mwari vakuitire zvakanaka mwanangu"
Her.."Ndinoziva Ropa zvakanyanya baba
kuBoterekwa uku. Kushungurudzwa kwaanoitwa
nasisi vake uyu Jane ndokwakaita kuti vazhinji vade
kuziva ukama hwavana vaviri ava kusvika tazoziva
kuti Ropa vabereki vake vakapararira
muBoterekwa. Ndarwadziwa nezvaandiudza uye
kuti mave kuzogara mustreet, kwete baba..
Munogara pano ndiko kuti Ropa agadzikane
achiziva kuti muripamba pane vanhu"
Him... "Handigone kutenda mwanangu"
Me... "Maita basa mai Shumba"
Her... "Usatenda Ropa, baba ava kana neni ndevangu.
Chipedzisa kurongedza uvabvuwire kasadza handiti
mabva kumba kuseni? Muneusavi hwakaibva mufridge.
Ini ndave kudzokera kumusika"
Me... "Maita basa asi ini ndofanira kudzokera
kumba nhasi chaiko ndosiya ndavabvuwira
ndoenda."
Her.. "Pakanaka Ropa, usazvinetsa zvako baba ndinavo
uchangozopota uchizovaona zvimwe totaura kubasa"
Me... "Ehoi maita basa"
Ndakasara ndoratidza babamukuru bathingroom
netoilet.. Chinondifadza pavari ndechekuti hapana
chavasingagone kuita vega. Kana kumusha vaienda
kutoilet vega Blair toilet yaitove mumunda
kachinhambo nepamba. Ndoziva kuti havambosare
vachinetsa vanhu havo. Ndakafara veduwee, ndakabva
ndave nechivimbo chekuti maiguru

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 177 -
vakandishungurudza ndodzoka ndozombogara
nabamukuru ndichirara hangu nevana vamai Shumba
ndichienda kubasa.Ndogona kuenda kana kuita zvese
zvandinoshuwira as long bamukuru vachigara
parisafe..Mari yerent $6 ndobhadhara haisi nyaya
ndine mari yangu iripasi pedombo kuBoterekwa uku.
Ndakasiya bamukuru vatogarisika mukachair kavo
kavakaisirwa paveranda namai Shumba kuti
vagare..Ndakamhanya neroad yatakabva nayo
ndodzokera kurank kunokwira kuti ndisvike kumba
kusati kwasviba. Pandaimhanya kudaro
ndaimbosekerera ndombotaura ndega kuti kutenda
Mwari. Zvekuti muridzi wemurume achanonditii
handina kumbozvifunga.. Pandakasvika parank
pakanga pasina kana bhazi. Ndakaona umwe
musikana akanga akabereka kabag achiratidza kuti
naiyewo ariparwendo. Ndakakubvunza
kumowanikwa mataxi kana zvimota zvinoenda kuUnki
akati ndokwaaitoenda kunohiker.. Takabva
tafambidzana.
Ndakanoburuka paUnki turnoff kusati kwasviba
ndichibva ndatowana chimota vekumabasa vainge
vachaisa ka. Pandakaburuka ndakambomira
ndichifunga. Mai Sheri nababa Sheri vanofanira kuziva
pandasiya sekuru vavo vagopota vachinovaona.
Ndakabva ndatomhanya ndodzika kuenda kwamai
Sheri nekuti ndikatanga kuenda kumba handizopiwi
mukana wekupinda muraini.. Ndakawana vachiti
maiguru vachangobva.. Vakafara chose
nezvandakavaudza.. Baba Sheri vakatoti vaizoenda
kunoona sekuru vavo vachivavigira amwe magumbeze
mumazuva maviri anotevera.. Takambonyararidzana
umwe neumwe ave kufunga kuti saka zvatoitika kuti
VaMarufu vatobva pamusha pavo nekuda
kwemudzimai wavakaroora!?

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 178 -

End of chapter 19

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 179 -
CHAPTER 20

MAI MARUFU

Pandakasvika pachivanze ndichibva kwamai Sheri


ndakawana pamusiwo wangu wekitchen pane
mashura akabhoiriswa chaiwo. Jane akanga akagara
pachikumbaridzo achipopomedza zvake kurutsa iwo
matamba aaidutira kumunda. Moziva zvimwe zvunhu
hautsamwi? Munhu anorutsa agere, pamusuwo futi
pachinhambo chekuti asimuke aende kana pamapeto
pechivanze. Handina kana kuda kutaura naye
ndakanzwa kusemeswa uku nehasha dzandaive nadzo
dzekusaziva kunababa Denis ndakananga kubedroom
kwangu ndokurovera door ndikaita kuzvikanda
pamubhedha neshena yandakanga ndinayo
yekumunda iyoyo.. Ndakambobata bata nzvimbo
dzese dzingazikanwa naRopafadzo kuti angaenda
nababa vake asi ndakadzishaya. Hope
dzakangozondiba ndakazvambarara kudaro...
Pandakapepuka mumba makanga matova murima.
Ndakanzwa musindo kukitchen kuchipopotedzanwa..
Ndakamuka ndokuvhura window ndoteerera kuti
angava ani otukana naJane!
Mimba yako irimumaoko here Jane ungamirira ini
kuti ndizovesa moto usiku hwakadai iwe wakagara
zvako, manje waita munyama ini ndakatoguta
zvangu

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 180 -
Jane..."Mwana wenyoka, kana uchifunga kuti
ungandirova zvawakaita paya kangamwa, migomo
nemapoto zvese izvi zvinokumhara mupfana"
Ropa... "Kurwa newe here Jane? Kuti ndashaya
basa!, Ndine zvakawanda zvekushandisa simba
rangu kwete kuswera ndichirwa newe ungasvodza
chana chaGari ndikasungwa zvangu!"
"Watii Ropa!? Gari ndiani?"
ndakakaruka ndazhambatata ndimire pamusiwo..
Ropa.. "Maswera sei mhamha?"
Me..."Gari Ropa, ndiani anonzi Gari?"
Her..."Ndeumwe mukorokoza aimborara naJane
kuBoterekwa!"
Me.. "Jane!"
Jane.. "Anopenga uyu"
Ropa.. "Handipengi Jane, pawakatanga kurega kuenda
kubasa akambondibvunza kuti Jane usavi hwedu aripi?"
Me.. "Imboibata yaGari yaGari uyu tozoipedzisa,
muzukuru wangu awana baba, dondiudza,
urikubvepi usiku huno uye baba vako varipi?"
Ropa..."Mhamha, ini ndangomutswa nababa kuseni
vakati Ropa takura bag rangu undiperekedze.Ini
mongoziva kuti handina kana nzvimbo dzandoziva
kunze kwekujere kuShurugwi nekuBoterekwa"
Me... "Ropafadzo! nditarise, urikuona mai vako kana
wakanditarisa?"
Her.."Aiwa havapo vakashaya"
Me..."Saka usada kundijairira, ndoda nzvimbo
yawasiya murume wangu kwete wako!"
Ropa akaseka kugegedzera achigara pasi nekuti
pandakapinda mumba akanga akamira vachigopana
naJane.. Ndakanzwa nyon'o yangu kusimuka. Ukaona
nherera ichichenama kudai ichiseka ndorugare ka

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 181 -
urwu nherera inofanira kugara yakaomera misodzi
pamatama..
Me.. "Ndokurova Ropa , chii chirikusetsa!"
Ndakataura ndichivhomora chikuni muchoto
ndichitoda kumuberetsa chikuni ichocho kumusana...
Chido akabva apinda mumba...
Me... "Handiti urikuzviona Ropa zvawanguri waudzwa
naJane kuti vesa moto! Ikozvino mwana auya pasina
kana chabikwa"
Chido.."Musazvinetsa henyu ndakaguta"
Me..."Wadyepi?!"
Her.."Ndatenga sadza nezondo kunamai vebhodho
vaya manheru tave kutoda kuuya ndikadya"
Jane.. "Wadii! Chido, kutambisa mari uneshuwa iwe
pano hapana upfu?"
Her... "Kutambisa here kana ndichitenga sadza
rekudya semunhu aswera pabasa. Upfu huripo asi
zondo hapa..!"
Me.."Nyarara Chido!, sadza nezondo iroro tadya tose
here kana kuti wadya woga? Nhasi repano hauridyi!"
Chido..."Fine ndakatogutawo zvangu. Zvemuboora
bodoo mumba madzurwa hamutambirwe
shangara"
Akataura achichera zicup remvura mubucket Chido,
akaimwa kunge ane dhiramu mumudumbu.. Paakada
kubhidhaira achibuda ndakabva ndamubata besu !
Me.. "Mari Chido, haunganorari usina kubudisa mari,
yose neyemazuva apera ayo. Newe Ropa simuka
unotora mari dziya dzamaishanda muchichengeta."
Chido akabva agara pasi mujinga mangu achibva ati,
"Mhamha, ini handisi baba vepano. Ndiri gotwe
mwana wekupedzisira, arikukwanisa 13 years next
week. Kureva kuti ndingadai ndichimuka
ndakarara kana kutomukira kuchikoro
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 182 -
kunevamwe. Hezvoo ooh ! ndini ndaakubvunzwa
mari yechigayo neyeusavi pano pamusha!
Momboziva kuti ndini chanana Boterekwa rose asi
ndo....
"Chidoo! Nyarara mhani iwe wapindwa nei?"
akakwamatata Jane ini simba rakange rapera.
Handisati ndamboona Chido akaita kupfekwa
nemweya wakadai. Ambondiudza zvemumba
madzurwa, haisi shona yezera rake iyoyo ikozvino
onditaurira mashura akadai.. Akabva asimuka akati ,
Okay sisi, ndanyarara, ndave kunopa baba sadza
randavavigira nezondo handiti repano havachadyi
vanotya kuurawa namhamha!
Ndaida kumuvhazura mbama asi ruoko rwakaramba
kusimuka, hapana akamuudza kuti baba havachipo
akabuda akaenda.Ndakasara ndikabva pabench
pandakanga ndakagara ndikati bvorokosho pasi
chaipo.. Ndakahwihwidza kuchema handizivi kuti
kwaive kurwadziwa here kana kuti kwaive kusvotwa..
Handina kufungira kuti vana vaviri ava Jane naChido
vangazondichenamira zvakadai, masikati anga ariJane
ikozvino urwu rwumushayanyama urwu!..
Pandaichema ndaitaura mashoko kuti Mwari
ndakatadzei asi ndakapedzisira ndotonyara ndega?
Chandakatadza chinoda kuudzirwa naMwari here!
Pandakapedza kuchema ndopandakafunga kuti
yavaMarufu yanga isati yapera pasvika
Chido...Ndofanira kurara ndaziva kunababa Denis
neyemukwasha uyu Gari.. Ndakasimudza musoro
ndikaona Ropa asisimo , Jane ainge akagara kuchikuva
kwaive nelight rakanga ropfutira pasi pasi tambo
yakanga isisasvike kuparrafin yaive yasara shoma...
Jane... "Mhamha Ropa momuregerera imi! Mubatei
mumuzvambure ataure kunababa..Anokuziva
kwaavasiya uyu. Shuwa mhamha oooh !
Mukamurega Ropa uyu hamufi makaziva
kunababa!"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 183 -
Me.. "Aiwa Jane, Ropa ndikamurova anotiza. Akatiza
pano anoenda kwaasiya baba vake. Zvoshandei togara
tisingazive kwavari"
Jane... "Saka momurega?"
Me.. "Eheee Janet! Asi zvirikuitika pano hauzvione?"
Her.."Pano! Zvei?"
Me... "Denis apfeka vanhu vose pano kusanganisira
newe kuti mundipandukire, mashoko awataura
kumunda aya haana kundibata mushe. Ipapa unorutsa
munhu mukuru akaita sewe wakagara beya pamusiwo
apa watadza kusimuka ukaenda kure uko? Kuda
kundishandisa kuti nditaure ka ugondiudza kuti
wakawana mimba uchitsvakira ini mari???"
Jane.. "Mhamha ndopamune dambudziko ipapo,
mungatsamwira ini muchitadza kutsamwira Ropa
aenda kunorasa baba musango?"
Me.." kana Ropa oda kutaura kunababa vake achataura
handizvinetsi. Vanga vagara vachindipeiko pano.. Vesa
moto Jane ubvuwe chisadza tidye, ko ini ura hwongorira
nenzara!"
Jane.. "Ndanyanya kurutsa mhamha handina kana
simba ini. Ko sei Chido aenda nesadza kunababa
akanonyarara ariko haana kudzoka kuzobvunza
kuti varipi wani?"
Me... "Aaah hameno nhai, ini kutokanganwa kuti
kunaChido aendesa sadza? Kuda anyeperwa naRopa"
Jane.. "Kana kutoudzwa chokwadi chekwavari
handiti ndakuudzai kuti rovai Ropa?"
Me.. "Kana kusingabikwi hande torara togokurumidza
kumuka"
Jane.. "Kuendepi?"
Me..."KwaGari zve muridzi wemimba"
Jane... "Mhamha mhani mungatevedzera Ropa!
Hakuna Gari uku!"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 184 -
Me..."Jane kunorara.. Ndokumutsa kuseni"
Takabuda ndokunopinda mumba yekurara. Ndainge
ndave nemazuva ndisingararemo ndichirara
mukitchen.. Muspare mevasikana tainzwa
kubwibwinyika kwaChido naRopa. Ndakaedza
kusunda door ravo ndichida kukumbira Chido sadza
riya ko ndaitovewo ka nenzara.. Door rakanga
rakakiiwa. Nekuneta nekupopota kwandaive ndaita
ndakaona kuti kuvamanikidza kukiinura door
kunotoda simba ndichibva ndasiyana nazvo
ndokurara zvangu nenzara yangu! Dzakauya here
hope ndichifunga kuti chokwadi ndochivhomora sei
munaRopa kuti ataure kunababa vake. Ndoda
kungoziva hangu chero ndikasanovatora..Chokwadi
nyika inonditi kudii? Ko ivo vazukuru vakatondiudza
kuti ndisasvika pamba pavo. Ndikaziva kunababa
Denis zvingava nani ndowana kutaura nanamai Sheri...

ROPAFADZO
Manheru ezuva randakabva Shurugwi ndaitoda chose
kuti maiguru vandirove ndigowana kutiza pamba.
Hezvoo zvangu munyika mune vanhu vane moyo
yekubereka umu nhai ndingaswera ndichitamba mai
Jane vanongogona kupopota vagere? Ivo vakabatsirwa
naChido akapinda pavaida kundirova. Ndaive
ndatomaka kutiza kudzokera kwababa Sheri
ndonorara ndomuka ndichienda Boterekwa kunotora
mari..Pandakaseka chikwee ndaida kutovabvunza kuti
asi ndimi makatsiva chinzvimbo chamai
Gweshegweshe here chekuactor madrama ! Nhai
munhu angati murume wake waanga waave nesvondo
mbiri asingataure naye?
Chido paakabuda achida kunopa bamukuru sadza
ndakamutevera ndikasangana naye padoor obuda
aribara achida kuzobvunza kuti baba vake vaendepi!

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 185 -
Ndakamubata ruoko ndokumukweva ndodzokera
naye mumba..
Chido, baba havasisipo pano. Vawana kumwe
kwekugara kwandanovasiya
Her..."kupi?"
Me... "Ndichakuudza kuti kupi Chido asi ziva kuti
kwavari vagere zvakanaka uye vatorara vageza vadya
kumagetsi futi"
Her.. "Shuwa here? Unozoenda neni wonondiratidza
kwavari. Tisaudza munhu"
Chido mwanana ndotya kuti anozofarisa akataura saka
handina kumuudza kwavari ipapo. Akandipa sadza
nezondo kuti ndidye apa ini ndaive ndakatoguta
zvangu. Takavhara tikaisa parutivi tikawirirana kuti
tomuka tichidya kuseni tichienda kubasa..
Taive murima hedu mumba makanga musina light.
Takatanga kuita nyaya naChido achibva ati,
Wanga uchibvunzwa naTina
Me.. "Uya wo uya, hanzi ndodei?"
Chido... "Ropa, Tinashe anokuda. Munhu boe manje
uya Ropa. Imagine ndichiti zvangu bamukuru Tina
, kana mapurisa auya ndourukira kumusana kwavo
vomhanya neni vachikwidza gomo ndichivakuza
ndiri kumusana!.."
Takaseka murimamo asi ini ndakangozviudza kuti
chero varume vapera Tinashe waJane bodoo
Takarova zvedu nyaya naChido asi ini
ndaingodzivirira yekutaura zvabamukuru.
Mangwana acho takamuka veduwee naChido taisada
kuti Jane namai vake vamuke tichiripo pamba.
Takasvika kubasa kuchiri kuseni. Vanhu vakafara
kundiona sezvo ndakanga ndarovha zuro wacho.
Umwe akafara ndiTinashe. Takawana zvibasa naChido
tichibva tatoshanda achiri mangwanani.. Ini ndainge

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 186 -
ndakangotaimira mai Shumba kuti ndozonzwa kuti
babamukuru vamuka sei havo.
Tina akazoita chivindi akasvika pandiri patainama
chimwe chiimba naChido. Chido akangoti sveverere
nemadziro ndokunhonga bucket oenda kumvura,
ndakamboda kuvhurira speed kumutevera asi
ndakavhunduka pandakaona aribara achidzoka..
"Ropa, mhamha naJane vauya"
Me.. "Huh, mhamha naJane kuzodii?"
Chido... "Hameno Jane ane kabag"
Hana yangu yakarova ndikaudza Tina kuti abve
pandiri. Naiyewo ndakaona kuti akavhunduka kuda
aifunga kuti vavinga iye. Ndakaona zveshuwa vanhu
vakatevedzana vachisvika. Maiguru vanga vakarova
serious kunge munhu arikudya vonde mubhazi.. Jane
akatendekera mai vake Gari ndikanzwa urombo!
Vanomuziva mushe here Gari ?. Ndakaswedera pedyo
zvangu kuti ndinzwewo ko ndini ndadii?
Nechemumoyo ndaingoti mai ava dai vachiziva unhu
hwemakorokoza havaimbouya naJane pano.
Jane.. "Gari, ava ndimhamha vangu ava va....."
VanaGari vaisefa vakawanda , vese vakaita
kuvhunduka Gari akati
mai vako ?, shuwa here Janet? Ndodzimuchembere
dzakauraya boss Deny here idzi?"
Ndakaona vaviri vachibwaira bwaira.Yhaaa ndounhu
hwemakorokoza chaihwo uhwu, kunge vanhu
varimurori.. Mai Jane vakaratidza kuita weak asi
semunhu mukuru vakazvisimbisa havo!
Iwe Gari iwe handisi shamwari yako!, ndauya
naRopa uyu nemimba yako"
Vakomana vaishanda naGari vese vakati bvuu
nekuseka.. Gari akabva ati, "maperekedza mega mwana
wenyu kuzoroorwa naGari ? Manje toimisa sei nyaya
iyi? Boys munhu auya ka uyu?"
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 187 -
akataura Gari akabatwa nesetswa achigara pamusoro
pedombo..
Umwe akabva asekawo akati ,
"Gari unemunyama hauchatoroori! Kutizirwa
naJane!"
Gari... "Mother musade kuzvinyadzisa pano dzokerai
kumba nepfambi yenyu iyi Munogara pasi. Ini ndakaisa
gumbo chete pamwana iyeye bvunzai vese ava ?"
Umwe akabva ati. "Ini ndakaisa ruoko chete pachana
chacho !"
Umwe neumwe akataura zvaaida kani maiguru
vakanga vangoti tuzuu vakavatarisa..
Ndakatovanzwira tsitsi apa nekuti vaitozonzwa
zvunhu zvinorwadza kunzwa pamwana wavo.
Vakaudziswa naGari kuti pavakomana vese vaakanga
anavo hapana asina kurara naJane saka vasanangana
nemunhu 1.. Vakabva vasvava veduwee matauriro
emakorokoza munongomaziva kana wamavinga
pabase pawo. Vamwe vaiti kunaGari wotofa iwee
wototevera boss Deny. Zvakanyadzisa! Apa Tina haana
kumboda kuswederapo akanga akamira nechekure
uko!
Vakadzokera vasvava veduwee, kungouya
kuzozvinyadzisa havo! Kuzonzwa zvisingafadze
kunzwa.. Munhu akaita saGari anoda kuvingwa kumba
kwamai vake kana uchikuziva kwete kumakorokoza!
Icho ichokwadi zvacho Gari anofanira kupiwa mhosva
panaJane nekuti ndiye ainyanya kurara naye nguva
dzose sekutaura kwaiita Tina zuva raanditsanangurira
kuti sei Jane achinzi usavi!
Pakazouya mai Shumba ndakavapa $10 kuti vanopa
bamukuru vagowanawo kausavi. Mai Shumba
vakandinyengerera kuti ndizogara nabamukuru hanzi
vanongodemba kuti pamwe Ropa arikutambudzwa.
Ndakavaudza kuti vavataurire kuti ndichiri right kana
zvaoma ndouya. Vakazondiudza kuti vaida kuti tigare
pasi titaure nyaya yekuti ndiite zvemusika

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 188 -
kuShurugwi kwete kuswera nemakorokoza ndichiri
mudiki ndozorasa unhu.. Vakatondiudza kuti ivo
mwana wavo ane 19years havatodi kuti auye
kumakorokoza. Ndakavaudza kuti inyaya kwayo chose
asi ndaizovaudza kuti ndafungei zuva raitevera..
Pandaitaura namai Shumba ndaisada kuti Chido
anzwe zvirikuitika. Tinashe ndiye aingoti kwati kwati
neni kuda aishaya kuti ndirikutaurei namai Shumba..
Kuramba kwakaita Chido nemari zuva riya
kwakandipeputsa.. Ikozvino ndikabva kubasa mari
ndobudisa kana dhora chairo kana ndatonyara. Mari
ndave kutochengeta shuwa ndigoita zvakataurwa
namai Shumba.

End of chapter 20

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 189 -

CHAPTER 21

TINASHE

Ini hangu kana ndirikugomo kuya madrama anouya


ega ndomafarira chose but rakauya namai vaJane
ndakanzwa kuvanyarira. Kunodenhana nemahwindi
parank ndozvimwechete zvakafanana nekudenha
magweja kana aripabase pawo. Hazvina musoro.
Ndakashaya pekupinda pavakaudzwa naGari kuti
haasiye ega akarara naJane. Hadzisi good news
kunamai vemunhu idzodzo. Ndakashaya kuti sei
vasina kutuma mai vaya vakambouya naJane kumba
kwedu..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 190 -
Zvirikuitika kunaJane izvi zvogona kuitika panaRopa
as long achishanda arimuno muBoterekwa. Handifi
ndakazviregerera kana Ropafadzo akamitiswa neboys.
Vanoverengeka chose vasina vakadzi kudzimba
dzavo..
Kubva zuva rabva Jane namai vake kuBoterekwa
handina kuwana peace mumoyo mangu pese
pandaiona Ropa achifamba.. Iye mazuvano anongova
nemamwe mazimufaro andisinganzwisisi vese
naChido. Ropa ainzwisa tsitsi veduwee, panoseka
vamwe aisaseka. Aigara akasuwa. Now unotonzwa
achirova chikwee arikure uko. Apa vakomana
vakawanda vave kungozviswededza swededza paari
kuda kushamwaridzana naye kuti vagomusevesa.
Never, !! kwete kana ndirimupenyu.
Ndaiongorora mafambiro aRopafadzo ndakanyarara
zvangu. Ndakaona kuti paita ukama kana usahwira
hwakasimba pakati pake namai Shumba.
Zvakandinetsa hangu nekuti mai Shumba munhu
anezera kana namai vake Ropa..Ndaiona achifara
zvisingaite kana aripanamai Shumba. Apa mwini
mwini yacho chero uripedo hauinzwi. Ndakamboedza
kuda kubvunza Ropa asi aisada kana kuonekwa
nevanhu akamira neni. Rimwe zuva ndakanga
ndakarara zvangu pamumvuri ndakazorora kuneta
nebasa kwandainge ndaita. Kana wamboita zvimari
unombonzwa nungo dzekushanda.. Mazuva maviri
apfuura takaita zvimari neboys randochera naro
zvekuti mhamha vatori parwendo rwekuzoenda
kumba kunobhadhara varikuvaka vosiyawo vaita
something chinobatika pamba.
Ndakarara kudaro ndakanzwa munhu aimhanya
achipfuura neparutivi pangu. Pandakasimudza
musoro ndakaona Ropafadzo akawinya skirt
achimhanya achitenuka kubva kugomo..
Ropa! Ropaaa iwe! Ropafadzo iwe mira?!

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 191 -
Ndakadeedzera asi Ropa haana kumira akaramba
achimhanya achiratidza kuti aive pahurry pane
zvakakosha zvaaimhanyira.
Pasina nguva akabva adzoka. Ndakasimuka
ndokumhanya ndichimutevera nekuti akasvika
achindipfuura kunge asina kunzwa kumusheedza
kwandainge ndaita..
"Ropa please!, taurawo neni"
Her.. "Kutii nhai Tinashe"
Me... "Hec Tinashe, ririsei basa nezvimwewo
zvataimbotaura mazuva aya"
Her.. "Okay wataura zvakanaka Tina..'Mazuva aya'
akapfuurakaa!"
Me... "Anopfuura sei iwe neni tiripo?"
Her... "Wakakonewa Tina, ndaikufarira and une moyo
wakanaka. Wakandifambira kunditevera Shurugwi uko
oandakasungwa but pawakaramba Jane ungadai usina
kumbotaura zita rangu."
Me... "Ndiri kunzwisisa Ropa, but problem
irimandiri handigone kunyepedzera.Ndichiri
kukufarira Ropa. Zita rangu rakangosvibiswa haro
naJane asi handina kumbobvira ndarara naye kana
kumuda. "
Her... "Azvisisina basa Tina. Handina shamwari
yekutaura nayo.. Zviri kuitika pandiri zvakawanda.
Ndaimborerukirwa kana ndataura newe but ummm
mazuvano zvakaoma hazvo"
Me.. "Ropafadzo , nditarise.. Ukuonei?"
Her... "Hapana hangu ndirikuona mukomana akamira
mberi kwangu anoda kundiurayisa naJane namai vake
"
Me.. "No , hauna kuona mushe. Kumberi kwako
kwakamira Tinashe. Mukomana uya
wawakabvuma kuv friend yake. Asina kumborara
naJane kana kumitisa munhu, even kurara chero
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 192 -
nemusikana upi zvake.. One more chance Ropa tive
mashamwari zvakare. I miss my friend"
Her... "Asi usanyanya kutaura neni pavanhu Tina
unondirovesa namai vaJane"
Me..." Thanks Ropa. Handichazviiti. Ndokumbirawo
kubvunza"
Her.."Ukabvunza zvisina basa ndoramba futi kuita
shamwari yako"
Ndakaseka kunge ndichadonha pasi..ZvaRopa here!?
Une ukama here kana kuti ushamwari henyu namai
Shumba
Her... "Ushamwari hedu wanga watii?"
Me... "Umm Ropa unotaura dzei namai Shumba.
Ipapa wamhanya uchivatevera wanga wanoitei?"
Her.. "Wandibata Tina. Nyaya yacho yakareba
tozotaura mangwana manje kwadoka Chido
akandimirira kuti tiende "
Me..."Okay, ufambe boe friend. Oooh ugokwira taxi"
Ndakadaro ndichiedza kumutambidza $10 yandaive
nayo.
Her... "Aiwa Tina thanks. Mari yetaxi ndinayo"
Him... "Ropa mhani handiti wati titange patsva here
kuita mafriends futi. From a friend to a friend tora"
Ndakaona kuti ndikaramba ndakamira
ndichinyengerera Ropa haana kudzidziswa mutemo
wekutambira mari kuvanhurume namai vake.
Ndakaipfekera muhomwe yechijacket chake
ndokufamba ndichibva paari..
Kubva ipapo handina kumbozogara kugomo ndakabva
ndaenda kumvura ndokunogeza madhaka andaive
nawo nezamba rakanga rasiiwa nevakomana
rakangozara madhaka ndichibva ndananga kumba
kwamai Tina..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 193 -
Munzira ndaigaya Ropa.. Ndosvikepi ndichiita mugoti
unopihwa anyerere ndisingaudze Ropa kuti ndomuda.
Kutamba naye seshamwari hazvimuiti kuti andide
ndisina kumupfimba.. Mazuvano ndotoona hangu boys
dzichingozviswededza swededza kwaari ndogona
kuzodemba ndasara ndakabata mhepo ndatorerwa
hangu. Ndingarwadziwa kana akamitiswa ndiripo
ndichingoita kunge dununu. Ndakakaruka ndasvika
pamba ndiri mupfungwa idzi. Mhamha vakanga
vachiwacha bag ravo semunhu aive parwendo
rwekuenda kumba..
Hezvooo ukagouya wakapima kunge charuveki
chiiko mwanangu kuneta here?
Me.. "NdiRopa mhamha"
Her.."Hezvooo aitwa seizve Ropafadzo namai vaya
vokupanda mwana wavo?"
Me.. "Haandidi"
Mhamha vakandidzvokora neziso zvekuti kana neni
ndakaonawo kuti zvandataura vanga vasina
kuzvitarisira..
Her... "Mwanangu huya ugare pachituro apa
ndikuudze.."
Ndakakweva makumbo ndokunogara pachituro paya
ndakatsikitsira musoro pasi ndakamirira kunzwa
zvaitevera..
Ropafadzo mwana mudiki Tinashe.. Imbomusiya
akadaro ende achine zvakawanda zvirikuitika
muupenyu hwake
Me... "Mhamha ndoda Ropa. Inherera seni. Anoziva
nhamo seni. Handidi munhu anevabereki
vakakwana anozondituka nezveunherera hwangu.
NaRopa takatsvatiwa neBoterekwa tese. Takasiira
chikoro panzira tese hapana akadzidza
zvakadzama kudarika umwe.."
Her..."Tina kani rega kutaura mashoko akadaro
mwanangu haisi mhosva yako"
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 194 -
Me... "Munhu anozvinzwisisa kuti haisi mhosva
yangu ndiRopafadzo mhamha. Ndiri murombo
handina chandinacho, tsuro zvayo inomwa mvura
nembama, ndikadiwa naRopa anozvinzwisisa zvese
izvozvo"
Ndakasara ndopedza kutaura mhamha vave kusvimha
kuchema. Ndakashaya kuti ndataura zvinochemedza
papi...
"Mhamha maakuchemei ?"
Her..."Ndineurombo Tinashe mwanangu.
Ndakatadza kukupa upenyu hwandakavimbisa mai
vako zuva ravakavigwa. Ndakamuvimbisa mwana
wababa vangu kuti mwana wako ndosara
ndichichengeta. Ndiko kuchengeta here uku
kwekukudzidzisa upenyu hwechikorokoza?"
Vakachema mhamha zvandakapedzisira
ndotodonhawo misodzi ndikademba chandainge
ndozvitaurira..
Ndakasimuka ndokunogara pedyo navo..
VaMasivanda teererai munzwe, hapana mai vane
rudo vanogona semi. Ndiri zvandiri nhasi nekuda
kwekugona kwenyu kundiraira kuti ndikure ndiri
mwana akazvirereka. Tarisai vanaGari vanomuka
vachipugura mbanje kuseni kwega kwega vasati
vatanga basa asi ini handibhemi. Ndoziva kuti
zvakashata hamuzvidi. Hapana pamakanditadzira
asi ini ndini ndofanira kuzoshanda zvakanaka
ndosiya chikorokoza ichi ndikwanise
kukuchengetai naRopafadzo
Ndakaona mhamha voseka maziso akazara musodzi
ndikashaya kuti vanakirwa nei pane zvandataura!
Inga washinga naye Ropa mwanangu. Uzongwarira
hako , mai vaya havasi kwavo zvachose
Me... "Ehoi mhamha"
Takatandara zuva iri namhamha tichikurukura sezvo
vaizomukira kumusha. Ndakazoenda kunorara
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 195 -
kwatove kuma11 usiku. Dzakambouya here hope
ndichigaya nyaya yaRopa yaaizondiudza mangwana!

ROPAFADZO
Kubva zvandakasiya bamukuru kuShurugwi mumoyo
mangu mune rugare rwakapamhidzirwa. Ndaimbotya
kuti mai vaya vachandiita kanyama kanyama asi
ikozvino zvakabuda mupfungwa. Pese pandoona mai
Shumba vanondiudza kuti bamukuru vagere
zvakanaka. Vanotoratidza kufara kuva navo pamba
pavo. Maiguru zvichavatorera nguva kuti vazive
kunabamukuru nekuti vakaziva hapana
chavanobatsira nacho kunze kwekunovashungurudza
futi ikoko..
Ndakasara ndichiseka zvangu pakabva Jane namai
vake kuBoterekwa ndikati mai Shumba
vanonotsanangurira bamukuru zvavaona mugomo
nhasi.
Iko kuuya kwamaiguru kumakorokoza vakaudzwa
nyon'o nanaGari kwambovadzikamisa mazuvano.
Kana kumba kubva zuva riya vanoswera vakarara
kuita murwere chaiye apa mimba yaJane anoita kunge
akaipiwa namai vake anovavenga zvisingaite zvinenge
zvichingonyobvorana wanike naChido tongotarisa
hedu tingagodii? Vanhu veraini vaiuya pamba vachida
kuziva kuti maiguru vakaisepi bamukuru. Utsinye
hwavo hwunodai kuzikamwa nevanhu vese vamwe
vanotoita runyerekupe rwekuti vakanodumper
murume mumataundi mumastreet umu kuti aite
zvekupemha vachipota vachinotora
mari..Kuzikanwirwa kungoda kudya vagere..
Nyaya yakataurwa namai Shumba yekuti nditange
musika handina kuibatira padiki. Kumhanya

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 196 -
uchikwidza mukwidza wakasenga 20litre yemvura
kunorwadza hama. Plus kungoshanda nemakorokoza
hakungokomboreri soo kodawo vanhu vave mvana
sanaJane.. Pandakataura naTina ndaitoda
kumuzivisawo nyaya iyoyo andipewo mazano. Ndoda
chaizvo kugarira kure naTina asi hameno zvaari Tina
wacho ndozongokaruka ndave kutaura naye
futi.Tinashe namai vake vanhu vanongova nemoyo
wakanaka havo..
Rimwe zuva taive kubasa naChido. Mazuvano
toshanda mari dzedu mai vaya kwaakungovapawo
zvemutemo, ini yandinenge ndashanda pazuva
ndopanobva inoenda kunabamukuru asi mai Shumba
vakati ndisabudisa mari mazuva ose ndipote
ndichichengeta imwe igozondibatsira mangwana. Ko
vanomboziva here kuti pfimbi ndinayo kare. Hanzi
bamukuru hapana zvizhinji zvavanoshandisa mari
nekuti chikafu vanopiwa naivo mai Shumba.Mari
yekunopfimbika mazuvano yawedzera.
Ndakavhunduka ndichidamwa naGari akagara
pamusoro pedombo ariega. Ndakati nhasi zvangu
ndichakweverwa mugomba Gari anongotyisa hake.
Usatya Ropafadzo, huya hako hapana zvandombokuita
ndoda kukubvunza chete
Ndakafamba ndisina chokwadi chekuti hapana
zvaanondiita ndichibva ndagara dombo raive opposite
naye.
Him.. "Ko ndiudze Ropa mukomana waJane ndiani?"
Me.. "Handimuzivi ini"
Him... "Ropa teereraka, handidi kunomurova
muface wacho. Ndinotonzwira Jane tsitsi pamwe
panogona kudaro pane zvimwe zvaunoziva. Ini
ndakarara naye takawanda asi zvogona kudaro
kuti ndini ndakamupa pamuviri nekuti pamwe
ndaimborara naye ndega"
Me... "Waizviitirei?"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 197 -
Ndakakaruka ndabvunza ndisina kufunga.. Gari haasi
munhu wekuhumanira sezvizvi..
Me..."Sorry hako"
Him.. "Aiwa uri right Ropa. Hanzvadzi yangu ikaitirwa
izvozvo ndogumbuka. Saka iwe unofunga kuti Jane
akaitora kuno kubasa here nhumbu iyi?"
Me.. "Ehee Gari. Akaiwana kwauri"
Him..."Ropa iwe usandisetsa. Yhaa zvogona kudaro but
muchembere wake mhani madhiri ake akadhakwa.
Ndakanzwa kuti havakudi vanhu vaya. Manje Jane
akatorawo utsinye hwamai vake "
Me... "Idzodzo inyaya dzekumba kwedu Gari hadzidi
iwe, pano ndavingei ndoda kudzokera kubasa"
Him... "Okay Ropa.. ndokumbirawo utaure naJane kuti
ndoda kumuona"
Me.. "Okay ndonosvitsa shoko"
Pandainge ndosimuka kubva panaGari ndakaona Tina
achipenyesa musvuu achifambisa kuuya pataive.
Ndakaziva kuti zvamunyon'ora kuona ndakagara
naGari..
Him.. "Ropa.. Ndokumbirawo kutaura newe"
Gari... "Don't worry bamudiki, ndapedza zvangu huyai
mugare panapa"
Akataura Gari achibhabhadzira Tina pabendekete
achibva afamba achienda.. Tina akasara akanditarisa
zviya zvekuda kutsanangurirwa zvatanga tichitaura
asati abvunza..
Me.. "Hesi Tinashe"
Him.. "Mawirirana kutii naGari?"
Me.. "Pachii?"
Him... (achiseka) hamenoka pamwe anga achikupfimba
ukabvuma"
Me... "Tinashe Gari haana kumbondipfimba"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 198 -
Him.. "Anga achidei?"
Me... "Kuti ndinoudza Jane kuti auye vazotaura!"
Him.. "Aaah shuwa here, finally Gari dzazogaya mushe..
So chindiudza nyaya iya yazuro "
Me. "Okay Tina. Babamukuru vave kugara
muShurugwi kumba kwamai Shumba ndiri
kuvarentera ikoko. Hapana anoziva kana Chido
chaiye haazivi ndini newe chete "
Him.. "Wakavabisa sei pamba Ropa tsanangura zvese
ndinzwisise. "
Ndakamutsanangurira Tina mabviro atakaita pamba
nekunosangana kwatakaita namai Shumba
muShurugwi. Akashamisika zvisingaite.
Ndakamutsanangurirawo nyaya yekutanga musika
yakataurwa namai Shumba akasekerera Tina..
Him. "Ropa, unoona mai Shumba vaya. Ingirozi
yakatumwa naMwari.."
Me... "Yeah vane moyo wakanaka ufunge nyangwe
bamukuru vagere zvakanaka kumba kwacho"
Tina.."Ndaishaya kuti ndokuudza sei Ropa kuti muno
muBoterekwa hamudi vasikana vezera rako iri hona
zvakawira Jane. Vamwe vakomana varimuno havana
kana moyo ende vazhinji vavo vakaroora vane vakadzi
kudzimba.Handidi kuti pawane chinokuwana
Ropafadzo, ndinoku...."
Me..."Ndichaedza kutaura namai Shumba
vandibatsire kutanga musika wangu, ndinenge
ndichikuudza kuti zvirikufamba sei!"
Him.. "Yha Ropa, ndingafare kukubatsira panezvese
zvaungada kuita"
Me.. "Mari yekuita musika ndinayo asi handingozivi
pekutangira chete.Baba vangu vaiita zvemusika
izvi ndogona kubudirira"
Him... "Ndinokuda Ropafadzo Marufu. I hope
hazviparadzi ushamwari hwedu zvandataura"
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 199 -
Ndakamutarisa Tina ndikaona face yake yakazara
kuva nekurevesa nemashoko ake. Ndakamufuratira ini
ndikafamba ndichienda. Nhai kundida kwei
kwaanoziva ndingaita mukomana zera rino here ko
nhamo dzangu ndodziviga payi!

End of chapter 21

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 200 -

CHAPTER 22

NARRATION
VaMarufu upenyu hwavo hwakanochinja vava
muShurugwi. Mhuri yamai Shumba yese kana iri
Sunday hapana anowanikwa pamba vanoenda
kuchurch. VaMarufu vakajoinawo kuenda kuchurch
havachasweriwo pamba Sunday izvo zvazoita kuti
vave nehama neshamwari dzakawanda muShurugwi.
Mai Shumba pakatanga kusvika vaMarufu pamba pavo
vaingoonawo bofu rinozvitamburira rinongodawo
moyo murefu kuribatsira. Kubva pakatangawo
vaMarufu kumuka vachigeza mangwanani vochinjawo
mbatya dzavo dzakanaka dzavakapiwa panhaka
yemunin'ina wavo yaPedzi vakabva vatanga kuchinja..
Ubofu zvahwo asi vaMarufu vakasanduka kuita
gentleman zvekuti kana ukasaudzwa kuti havaone
vakagara havo pachair yavo yavakaisirwa namai
Shumba paveranda.. Vane nhoroondo yeupenyu
inorwadza yavanombowana nguva yekuidzokorora
kana vakatandara namai Shumba nevana vavo. Izvi

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 201 -
zvakaitawo kuti mai Shumba vapewo mazwi esimbiso
kunavaMarufu uye vavaudzewo kwavakabvawo nako
kuzosvika vasvike parinhasi. Pfungwa yamai Shumba
vakanzwa kushora mai Marufu kuti
vangashungurudza murume nekuti haachaone. Mai
Shumba vaitoona murume bofu ariye murume chaiye
angava nerudo necare kumunhukadzi nekuti
vakanyanya kushungurudzwa nemurume wavo aiona.
Chavave kuda kana kuri kuzowana umwe mukana
wekupinda murudo zvakare kuwana murume
anovada zvisinei nebasa rake kana nezvaanazvo..
Vana vamai Shumba vaibata vaMarufu zvakanaka
zvekuti pamwe vaiti vakasara vega vaMarufu
vaichemera mumoyo kuti vanaJane vaisavada sababa
vavo. Pfungwa dzavo hadzina kubva panaRopa
nyangwe zvazvo vaidya vachiguta vagere zvakanaka
pamba apa. Asi mai Shumba vakavimbisa kuti
Ropafadzo anofara chaiko vanomuona kubasa mazuva
ose.. Nyaya yekuti Ropa aite zvemusika vakaipirwa
vaMarufu vakafara chose kuti Ropafadzo asiye basa
remumakorokoza iri. VaMarufu vakabva
vatotsanangurira mai Shumba upenyu hwairarama
Pedzi mupfana wavo hwemusika achichengeta mhuri
yake..
VaMarufu vakazoudzwawo rimwe zuva kusvika
kwakaita mai Jane kumakorokoza
nezvavakanosangana nazvo. VaMarufu vakaseka
nhamo serugare vaisafungira kuti mudzimai wavo
angazvidzikisira kusvika pakuperekedza mwana
kumakorokoza kunotsvaka muridzi wenhumbu.
Vakasimbisa havo kunamai Shumba kuti vapote
vachivatarisirawo Ropa kuBoterekwako.
Mai Marufu chibviro chavakaita kuBoterekwa
zvinovaremera kubuda kana chivanze chavo. Vanhu
varikutaura muraini. Mai Sheri havatsiki pamba pamai
Jane asi vakasangana naJane pachibhorani rimwe zuva
vakamuudza kuti havasati vatanga kuzvisekesa
nenyika namai vake nenyaya dzavo dzekuenda
Boterekwa nekudzinga baba pamba. Jane akaedza
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 202 -
kuudza mai Sheri kuti baba vake vakatiza pamba vega
akatosimudza hasha dzamai Sheri avo vakamuudza
kuti as long baba vake vachitambura varimusango iye
Jane achamitiswa pagore pagore achingozvara
aripamba. Vakamuudza zvakare kuti ramangwana
baba vake bofu ava achazovada. Jane ndiJane, akabva
apenengura miromo yake ndokubhidhaira achienda
naiko kusimbira kumusoro sebere kwaaiita mazuvano
Mukufamba kwemazuva mai Sheri vakazosimuka
kuseni ndokunanga Shurugwi vakanotsvaka mai
Shumba pamusika pavakanga varairwa naRopa.
Vakanga vakaremerwa chose nezvunhu zvavainge
vavigira sekuru vavo kunyanya zvezhizha... Mai
Shumba vakafara nekuti vaigara vachishuwira kuwana
hama imwechete munhu mukuru yavaMarufu
yavanoziva kuitira mangwana.. Vakanoratidza mai
Sheri kumba kwavo kunogara vaMarufu. VaMarufu
vakafara kunge vachabata denga kuti mai Sheri
vavashanyirawo pavave kugara.. Mai Sheri vakawana
sekuru vongoita sejaya varipo pamba apa... Zvakafadza
mai Sheri zvekuti naivowo vakatoona kuti mai vaya
vekudya mwana wavo havatofaniri kuziva
kunemurume wavo. Mai Shumba namai Sheri
vakachinjana maphone number kuti vagopota
vachitaura havo vanamai Sheri nemurume wavo
vachizivawo kuti sekuru vavo vamuka sei vaswera sei?
Ropafadzo akazogara pasi namai Shumba akavaudza
kuti aida kuita zvemusika zvavakataura.. Mai Shumba
vakati vaizopa notice munhu aishandisa umwe musika
wavo urimutown. Ropa akavatenda akavaudza kuti
vaizomubatsira kuhodha kekutanga asi mari yake aive
nayo.. Mai Shumba vakati Ropa asabhadhara rent asi
Ropa akaramba akati mari yacho ishoma zvakanyanya
she insists to pay. Mai Shumba vaingotiwo mari
yavapiwa yerent naRopa votuma vana vavo mutown
kunotengera vaMarufu something.
Tinashe haana kudzora tsvimbo pakuda kwake
Ropafadzo uye mai vake havana kuzodawo
kuzvipindira.. Ropa akanga akangobatira pakuti akada
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 203 -
Tina anourawa naJane namai vake. Dzaive pfungwa
mumusoro asi moyo hazvisizvo zvawaida. Ropa
aifarira Tina asi aitoshaya kuti oita sei! Tina akaedza
kubatsira Ropa nemari yekuti anokwanisa kuhodha
zvunhu zvake kwaaizoenda namai Shumba asi Ropa
akaudza Tina kuti aive nemari yakawanda yaitokwana
kuhodha ikasara.. Ropafadzo paakaenda kugomo
achinotora mari yake padombo akatombosvika
akagara hake pabwe achitaura nevabereki vake
vaaisaona asi aingotaura akatarisa marangwanda
ecombi yakaenda neupenyu hwavo. Aivaudza kunge
arikuvaona kuti vamutungamirire mubasa remusika
raave kuzotanga iri. Aitotaura achisekerera achiudza
baba vake kuti dai chibox chavo chavaiisira mari
changa chichiko kuEmpress ainochitora ochengetera
mari yake yemusika sezvaiita mudhara wake.
Paakasimuka achida kuenda padombo remari riya
akaona zinyoka rakanga rakakura zvaasina kumboona
muupenyu hwake, akabvunda achidzokera kumashure
ziso ririonyoka.. Nyoka iya yakanoungana pedyo
nedombo remari yaRopa. Haana kuda kutiza kusvika
kure nekuti aida mari yake uye aisanzwisisa kuti
nyoka iyi inoda kumurobber mari yake here kana kuti
nekuti akabva agaya kuti nyoka iyi yaimuona pese
paaizoisa mari. Ropafadzo mwana akakurira mutown
anotya zvisingaite asi panyoka iyi haana kunyanya
kuvhunduka aitoda kuona chinangwa chayo ari
nechekure... Nyoka iya yakazvimononora
ndokutevedza matombo ichienda.. Ropa
akangozviudza kuti ndonyaya dzeBoterekwa
dzezviyera yera zvaaigara achiudzwa namai Tina kuti
asarare musango. Achakamira kudaro akaona
kadombo kaipenya zvaiteya maziso pedyo nedombo
remari paya asi akangozviudza kuti pese paaiuya apa
kadombo aka kaisavapo.. Paakaona nyoka isisaonekwi
Ropa akanyahwaira achiswedera pedyo nedombo riya
ndokubva anhonga katombo kaya. Kairema zvisiri
zvezera rako zvachose.. Ropa akafarira type
yekatombo aka uye kupenya kwakaiita akati
aizonokaita kedecoration muspare maanorara

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 204 -
naChido.. Akabva asimudza dombo ndokutora mari
yake ndokupinda munzira otenuka achipfuura
nepavanochera mvura.
Jane zvaakanoudzwa naRopa kuti Gari aida kutaura
naye haana kufara nazvo nekuti Gari haasi munhu
waakambobvira ada uye akagumbuka zuva
raakanonyadziswa aenda namai vake. Gari munhu
aneunhu hwechibhinya bhinya saka Jane kutorarawo
naye kwaive kuitira kuti asagara achivharamuswa
pabasa kwete kuti aizvifarira kana kuti aimuda. Zuva
remangwana racho Jane akamuka achinonyoresa iyo
mimba yatokura isina kunyoreswa.Akanoitwawo
matests akasiyana siyana akanzi azodzoka mumazuva
matatu ozotora maresults ake

VAMARUFU
Dai ndakaziva kuti ubofu hwangu hwuchazondisvitsa
pakuurayisa mwanakomana umwechete paive neziso
nemoyo ndingadai ndakanguri ndabva pamusha
ndakanogara kana mustreet mwana wangu
akararama. Dai ndakaziva haibatsiri hayo ikozvino
ndopandaakuona kuti ndaisambotambura munyika
mune vanhu vakatumwa umu kwete zvanamai Denis
vanoita kunge vakabarwa chembere dzaenda kundari..
Pfungwa yekuti ndozosekwa nevamwe varume kuti
gwara rakatiza musha ndoimwe yaindishingisa pamba
paya kusvika zvazodai soo!
Mai Shumba vakandiitira zvandaisafungira asi pazvose
ndotenda Ropafadzo. Dai aisavapo kuchingonzi baba
vaJane kana mumastreet vamwe vainditaka
nematombo nekuti Jane paanosvika hapana anomuda.
Pamba pamai Shumba ndigere veduwee! Mwana wavo

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 205 -
mukomana ane makore gumi nemaviri ndiye anotova
sahwira wangu pamba apa, kana ndorara ndiye
anotoona kuti chubucket changu chapinda mumba.
Mumba mangu haabudi chero chikafu chikabikwa
ndiye anozonditora kana ndakagara mumba mangu
hangu. Mufaro wandinawo ndakagara muchiimba
imomo wakapfuuridza kudarika kubatikana
kwandaigara ndakaita muziimba ramai Jane muya
randakavakisa ndichashanda hangu. Mai Shumba
vanemoyo wakanaka vanotoita kunge hanzvadzi
yangu chaiyo. Kana Ropafadzo vanomuda zvekuti
ndobva ndanzwa mweya wangu kuzorora.. Kuchurch
ndave kuendawo hama. Kwamai Jane ndaive ndisina
mukana wekuudzawo Mwari zvinondishupa asi
ikozvino ndave nawo.. Pamba hapararwi vanhu vasina
kunyengetera. Kudemba kwandaiita kuya kuti dai
ndichionawo ikozvino ndakatambira kuti Mwari
zvavakanditorerawo meso aya vaive nezvikonzero
zvavo.
Nhoroondo yamai Shumba yakabata moyo wangu
zvakanyanya. Ndakatombofunga kuti dai Shumba uyu
ariye akaroorana namai Janet, ava vane moyo
wakanaka voitawo mai Shumba ino yangu Murambwi.
Dzaingovewo hangu ndangariro ndichifunga
kururama kwakaita mudzimai anonzi mai Shumba
uyu..
Ndakaseka zvangu mongoziva kuseka kwebofu, mai
Jane kugara kwese ndaiziva kuti dzinombomusiya asi
handina kumbofunga kuti angamhanya bani
zvekusvika pakusimuka pamba achienda kunowanisa
mwana kumakorokoza! Chokwadi ndakaseka
ndikabuda chidikwa dikwa, Jane mwana wake
achazvionera ega. Ndosaka chero pandakanzwa
zvemimba yake ndakanyarara zvangu asi dai
ariRopafadzo kana aka kaChido karinani ndaiitawo
pandogona sababa kuti vanakomana ava vasajairira
kumitisa vana vevanhu vachisiya..
Mazuvano ndine mufaro zvangu muzukuru akabva
kuzondiona mai Sheri. Chero ndikawana
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 206 -
chinondiwana vazukuru vangu vanouya hapana
anotambura neni kana Muganhu, mudzimai wake
naRopafadzo varipo. Ikozvino Ropa anouyawo manje
manje ozogara neni achiitawo musika wake. Chokwadi
anobudirira mwana wangu nekuti ndiro basa raiitwa
nababa vake.. Ndingafare chose kana akabva
kumakorokoza...
Zuva rakabva mai Sheri kuShurugwi vakati Muganhu
ane mashoko makuru aanoda kuzotaura neni saka
ndaifanira kumutarisira mumazuva mashoma
aitevera. Vanemeso havo vane shumo inoti "ita moyo
murefu sebofu",
eheeka ko mapofu moyo murefu ndiwo chaiwo
watinawo nekuti hationi kufamba kwezuva chero
masikati anongova usiku kwatiri.Ndakangozviudza
kuti anouya hake Muganhu ozondipira nyaya yaanayo
iyoyo.. Handitarisiri kuti muzukuru wangu angauya
kuzondinyengerera kuti ndidzokere kumba kuya
zvakare..

End of chapter 22

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 207 -

CHAPTER 23

JANE

Ndaimboona vamwe vanhu vakasenga mimba dzavo


vachipfira pfira vachisemeswa chero nenyama yehuku
chaiyo ndaifunga kuti izvozvo zvinongoitika chero

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 208 -
pamunhu aita mimba.. Yangu mimba chitori chisekeso
chaicho chero ndichienda kumvura
ndinotombambadzira zijuzi chero kuchipisa..
Hazvitadzisi hazvo vanhu kundinyeya vachirovana
maoko asi ndave kujaira hangu, ko ndakaitambidzwa
nemunhu here kana kuti ndakaitsvaka ndega.
Pandairara nanaGari ndaizvifonera ndichiti chero
ndikaita nhumbu vachaita konde konde sezvavari
kuita vachirara neni. Gari anemukanwa
makaumburukwa nechidembo veduwee, handina
kumbofunga kuti angahumanira mhamha zvakadaro..
Ivowo vachinyanya munhu mukuru wepi asingadi
kuudzwa. . Ndakavaudza kuti tisaenda kunaGari ivo
vakaita kunge Gari wacho ishamwari yavo. Apa Gari
ndakagara hangu ndisingadi kuti aite baba vemwana
wangu kunyangwe zvazvo ndichinyatsoziva kuti ndiye
akandimitisa. Ane rough Gari haagariki naye apa ndiye
ega anotoonekera pavanhu vandakarara navo vese.
Ndakazoenda kuchipatara ndikanonyoresa nhumbu
yemakorokozayo.. Ndakatukwa nemanesi ko
ndaimboziva kuti inonyoreswa kana yafuta zvakadii
here ini? Ukuwo mhamha chavanogona kungopopota
vachitsivira shungu dzaRopa naGari pandiri. Nhai
munhu akatora baba akanovarasa ndiRopa ndiye
anoziva mwena waakanovakanda asi mhamha
vanopengera ini. Shungu dzekunyadziswa naGari
dzese ndini ndave kudzibhadhara zvino ini kana
munhu achindituka ndinotonzwa kusundwa chaiko
kuti muudze zvakakwana mangwana asapamha
handinei kuti ndiani wepi..
Ndakavhunduka pakauya Ropa achindiudza kuti Gari
anoda kutaura neni. Hezvoo hangu , nemanyan'anyiro
akaita Gari zuva riya angade kutaurei neni ?
"Ndonomupa mhinduro yekutii? "
Akandibvunza Ropa akamira pedyo neni apa
zimumvuri rake raindiremera sei ndakagara zvangu
pazuva nekuneta kwandainge ndaita nekufamba
kuenda kuchipatara...

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 209 -
Me..."Ropa, ndiani akazokuita munyai wenyaya
dzangu naGari?"
Ropa akaseka zvekuti akabva aita zvekugara pasi
pedyo neni chaipo kutsvaka kundifinhura..
Her... "Jane ndikaita munyai wako unogona kuroorwa
naGari mimba ikawana manapukeni iyi. As long
mashoko achifambirwa neni chete
asingafambirwe namai vako uchaona zvako
zvichibhadhara, mhinduro yekunopa Gari Jane."
Me... "Ndokukwazha mazizheve iwayo ukada
kuonererwa"
Her... "Handikudzoreri kana ukandirova, ndaakuziva
kuti wakasenga mwana webhinya saka
ndaakukurespector. Hanzi naGari kuBoterekwa
mangwana, usazoti handina kukuudza"
Ndakambonyarara Ropa achienda ndikazogaya kuti
ichokwadi kuti Gari akabvuma mimba iyi ndinenge
ndabatsirika nekuti handina kana napukeni kana
chipenheti zvacho..
Me... "Ropa !, dzoka.."
Akatendeuka Ropa achibva afamba zvishoma
nezvishoma nenhendeshure achidzoka pandiri. Kubva
zvaakandirova kuBoterekwa ave nehumwe husando
hwekuti anozviona kunge anorova musha wese
chaiko!
Me.. "Uudze Gari kuti ndinouya kuswera mangwana
ndofanira kutanga ndadzokera kuchipatara ndanzi
ndidzoke"
Ropa... "Okay ndonosvitsa shoko sezvariri"
Me... "Ropa, ndiudzewozve. Anga achitaura akafara
here kana kuti akatsamwirira Gari, paya akatuka
mhamha saka ndogona kuuya iye achida kuzondirovera
kuti ndakauyirei namhamha kugomo
kuzomunyadzisa?"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 210 -
Ropa.. "Ehe anga akati tsamwei hake asi handiti
ndomagariro ake here ? Paakakumitisa
aisekerera?"
Ndakaridza zitsamwa nxaa! Anoonererwa zvisingaite
Ropa hameno kuti ndiani akafa akamusiira nhaka
yezvivindi zvaave nazvo.
Zuva rekunotora maresults acho rakasvika ndichibva
ndamuka hangu ndichigadzirira kuenda kuclinic.
Ndakashamisika mai Denis vachipururawo makumbo
kuratidza kuti vaida kuenda neni. Ini zvekunyadziswa
kufamba nemunhu anenge achingonhongedzwa kuti
ndivava mai vekuuraya mwana wavo vachida kuuraya
murume handidi hangu.. Ndakakurumidza ndokubuda
vachiri kuzora mafuta. Kufamba kunondikurirawo sei
makumbo angu haatani kupera simba.. Ndakacheuka
ndave kutosvika pagate ndikaona mhamha vachiita
kudigaira vachitevera.. Takanopinda tave tose apa
ndovenga sei hangu kupinda munanesi namhamha
vanobva vaita kunge ndivo vave nesi vacho kudzidzisa
vanhu basa ravo..
Nurse... "Makadii mhamha, maita zvakanaka
mukauya naye Janet uyu. Zvakanaka kuwana
maresults ake ane umwe waanaye zvisinei nekuti
akamira sei maresults acho?"
Mai Denis.. "Zvakanaka mwanangu chitipa tidzokere
toda kufamba kuchiri kuseni mumugwagwa musati
mazara vanhu umu. "
Nurse... "Jane wakagadzirira here kusangana
nemaresults ako"
Me..."Ndipei"
Nurse vaya vakabva vavhura envelop yavaive nayo
vachibva vambonyarara vachiiverenga ndokutanga
kungotaura twakawanda wanda vachitondibhowa
havo..
Nurse.. "Janet ndineurombo, maresults ako anoratidza
kuti uri HIV positive"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 211 -
Mai Marufu.. "Jane edzi? Mati ane edzi here anofa
riini?"
Nurse.."Kwete mhamha haafi uye ane utachiona
hweHIV hunokonzeresa Aids. Baba vemwana wako
varipi nhai Janet zvanga zvakanaka kuti naivowo
vazotestwa mofamba rwendo urwu murivaviri mowana
mapiritsi mese.

Handina kuzomirira kupindura mubvunzo ndakabva


ndasimuka ndokubuda ndakananga kugedhe !.Muviri
wangu waibvunda uye hana yangu yaiita kupangura
zvekuti kusadonha vakangovawo Mwari
havo..Ndichingoti bude pagedhe ndakairegedzera
mhere inopinda katatu yamai vemufi..Vanhu
vaingonditarisa asi ini kana kumbodzora tsvimbo
ndakatowedzera mhere ndichifamba ndichienda...
Shungu dzandaive nadzo dzinodarika edzi
irimunyama yangu...
Ndakatarisa zuva ndikaona kuchiri kuseni apa Ropa
ndakange ndamuudza kuti ndaizosvika kuBoterekwa
kunoona Gari.
"Nxaaa! Zimbwa remunhu ndiye akandipa edzi.."
Ndakadaro ndichipopota ndakananga
pazvimota...Mhamha ndakazovaona vachindonda
vachitevera..
"Kwanzi udzoke neChishanu uzotsanangurirwa
nezvechirwere chako ichi. Zvino zvavanoda baba
vemwana kuti vatesitiwe unonokumba Boterekwa rose
here kuuya naro kuchipatara?"
Me... "Handiti vati baba vemwana? Ehee ndivo
vandichaenda navo kunze kana muchida imi kuita
baba vemwana vacho mogadzirira Chishanu
chacho todzoka tose"
Her... "Nxaaa! Ichasvika zvayo nguva yekuti uchandida
hako"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 212 -
Ndakaona pamira chimota chaienda Boterekwa
straight handina kumboda kushuma mhamha kuti
ndaienda kupi ndakangopinda mumota ndokudya
hwindo ndichizunza mazamu ndakananga Boterekwa.
Ndaida kunoudza Gari nyaya dzake nxa!
Gari akandiona ndichiri chinhambwe ndichikwidza
kuenda kwavanoshandira. Akabva afambisa
ndokundichingamidza ndakatozvishaya hangu kuti
Gari chaiye apa aitotaura neni zvakanaka kunge
arikutaura namai vemwana wake..
Him... "Arisei mwana ?, Arikukura here haasi
kunetsa"
Me... "Mwana upi?"
Him... "Wawakatakura kaa?"
Me... "Handina kutakura mwana ini ndakatakura
gumbo rawakaisa mumudumbu mangu"
Him.. "Aaah Janet kani sorry hako waida nditii paya
iwe wakangoona kuti muchembere wako aida
kutondimedza zvese nemakushe"
Me... "Zvakapfuura Gari ndavingei pano?"
Him... "Jane, mwana wawakatakura anogona kunge
ariwangu. Ndirikungozvinzwa mandiri kuti mwana
anenge wangu saka....."
Me.... (Ndichimutambidza envelop yandakanga ndabva
nayo kuchipatara) "Neizvi ndezvako futi kaa? Ndiwe
wakandipa kaa!?"
Whaaaaaaaaaat!
akabvundisa muromo Gari akabata bepa raakanga
abudisa muenvelop

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 213 -
ROPAFADZO
Unonzwa vanhu vachiti nherera hadzichengeteke asi
havatarisi vamwe vabereki vanosiirwa nherera kuti
vanodzichengeta sei? Imagine samhamha vaJane
mazuvano kana pachivanze ndikavamutsa kana
kuvaswedza havadaviri vanoramba vakafutisa
gurokuro kuri kutsakwira mari yangu yandinoshanda.
Vaakutoti ndini ndakapandutsa Chido kuti asavapa
mari kukanganwa kuti ndiye akatondidzidzisawo !
Chete chandakaona ukada kutarisa vanhu vepamba
paya zviso kuti nhasi vamuka vari mumood ipi ndiwe
unozvimba bhibho.. Jane woo anongoitawo zvake asi
mazuva ano ndomunzwira tsitsi nechirwere
chaakazobatwa ichi.. Mimba yega ndoona kunge
yaikodzerana nemubayiro weutsinye hwake but
chirwere! Zvorwadza veduwee.. Taitarisira kuti Gari
achabvumawo nhumbu iyi oitengera preparation asi
seni hangu ndaakutodemba kuti dai Jane asina kuudza
Gari zvechirwere akamurega arimurima nekuti zuva
randakamuudza kuti Jane aizouya masikati akafara
chose kuti aizowana mukana wekutaura naJane
nezvenhumbu..Mapaper akauya naJanet kunaGari
akachinja zvese...Kubva zuva riya rauya Janet
kuBoterekwa Gari akamboenda kumba kwavo haamo
muBoterekwa mazuvano kuda akaendawo kuti
anoendawo kuchipatara kunotesitiwa tichaziva ?.
Kadombo kangu ndakanokaisa mumba matorara
naChido pamusoro pechicupboard pane zvimwe
zvakadecorater room yevasikana . Kana naChido
akatotaurawo kuti kanopenya zvinonakidza kuona .
Lucky kana tichienda kubasa tinokiya muroom medu
nekuti Chido ndomaanoviga mari yake plus Jane
akatuta hembe dzake ave kurara ega zvakakonana futi
namai vake kubedroom kwavainge vorara vese. Nhai
kudzinga baba pamba achida kuzviita iye baba
vemusha...
Ndakaita mazuva ndisati ndanoona mai Shelly kubva
zvavakabva Shurugwi nekuda kwekushaya nguva.

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 214 -
Rimwe zuva takakurumidza kubva kubasa ndichibva
ndati Chido avese moto ini ndimhanye kumvura.
Mamadam boss akanga akazvambarara nematumbu
paveranda kunge makwavava kuda vainge vaswerera
kudya hatizi.Ndakasvikotsveta bucket ndokumhanya
kwamai Shelly kunonzwa kuti vakaonawo sei
magariro abamukuru kuShurugwi..Pavakangondiona
mai Shelly vakafara chose, vakatonditenda nekubva
pamba kwandakaita nasekuru vavo vakati kumba
kwamai Shumba bamukuru vagere zvinoyemurika
chose uye mai Shumba munhu ane moyo wakanaka
maonero avakavaita.. Baba Sheri ndivo vakazoda
kutirimutsa hana yangu pavakati,
mainini Ropa, mudhara wenyu aimboenda
kuKadoma here pamaive kuEmpress
Mai Shelly vakamhanyira kupindura ndisati
ndapindura vachibva vati,
aaah ko maitwa seiko baba Shelly, mainini vaive
mwanana ava vanozivei nezveKadoma regai mwana
Me.. "Asi baba vangu vane mwana kuKadoma
wavakamitisa mudzimai wemunhu sei muchitaura
kunge muri kundivanzira something?"
Baba Sheri vakaita sevachadonha nekuseka..
Him.. "Mainini Ropa nhamo neuterera zvakaipa
chokwadi, zvomoreasoner kunge kachembere ? Baba
venyu nekunyarara kuya vaimitisa here vaitotya mbuya
mai Ropafadzo vaya.. Asi pasi hapagute zvamunoona,
vanhu vaidanana vaya"
Me... "Ko nyaya yekuKadoma ndeyei?"
Muganhu... "Horaiti mainini Ropa muchaiziva henyu
manje manje haisi nyaya huru zvayo"
Me.. "Dai mangondiudza pane kundiremberedza"
Vese vakabva vaseka ndikatoona kuti kwave kutosviba
nyaya handimboiudzwi apa ndigonopondwa zvangu
namai Jane. Ndakaoneka ndatove neimwe pfungwa

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 215 -
mumusoro mangu ndokumhanya ndonanga kumvura
kwandakanga ndasiya bucket.
Baba Sheri vakandiyeuchidza kudanana kwaiita
mhamha vangu nababa, haasi makuhwa kana neni
ndozviziva kuti vaidanana zvaifadza, rufu zvarwo
rwakangoshanya rwusina kukokwa.. Ndakasvika
kumba ndokutura bucket pfungwa irikuspare
kwatorara kukatombo kangu. Ndaida kukakacha
nepakati koita mapiece maviri ndoisira mhamha
nechekumusoro paguva ravo kamwe kapiece pababa
zvopenya zviripo. Pandakanoti pamusoro
pechicupboard pandakanga ndakaisa katombo kaya
pane zvimwe zvimhuka zvakadecorater pamusoro
ipapo hana yangu yakarova ndichiona kadombo kangu
kasipo. Ndakashaya kuti pakati paJane namai vake
ndiani achitora ? Eheee Jane anogona kuchitora achida
kuyevedzwa nacho semunhu akabva kuBoterekwa
akazara nehasha. Ndakapatitswa mupfungwa idzi
namaiguru vakadeedzera kuti, ,
iwe Ropa dorega kuzviita mises pano pamba iwe
uchiona ndiro dzamadeko dzakazara panze kudaro
mwana arikubika iwe buda usuke
Ndakabuda ndakazara nehasha asi wekubvunza
ndakamushaya. Mumoyo mangu ndakangozviudza
kuti ndichagudhuza imba yose ndakanyarara
ndichitsvaka katombo ikako kana ndakashaya
ndodzokera futi kugomo kuya ndombonotenderera
ndogona kuwana kamwe futi kanopenya zvakadaro
ndozoisira vanamhamha..

End of chapter 23

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 216 -

CHAPTER 24

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 217 -

MAI MARUFU

Ini zvaJane zvazondikanga mate mukanwa kana


pekutangira handichadozivi kuti papi? Mimba hayo
yoga baba vake vakatiza vaiziva kuti anayo. Ko zvino
ichi chirwere chaazobatwa chadai kumurambisa naiye
mukorokoza wake anga oda hake kuchengeta nhumbu
yemusangano iyoyo ndogoziva kuti ndonochireva
kunani? Dai aigove Jane kwaye anotaurika naye zvaive
nani aimbobva pamba ombonoshanya kuhama dzangu
vanhu vambomira kutaura nezvake.. Rayini rose
hapana achatsika pamba pangu vanhu vanondiona
kunge mhondi kana muroyi. Muganhu nemudzimai
wake ndivo voga vanhu vaviri vandingagona kuudza
nyaya yechirwere chaJane vakandibatsira bva
naivowo vakajoina vanhu veraini kungotaura zita
rangu pese pavari vachindireva.. Chinondishayisa
hope kuzvibvunza kuti chaizvo baba Jane varipai
munhu asingaone? Zvokwadi ndaitamba hangu paya
pandaiti vaendeswe kuJairos Jiri kwaingove kufuririka
pandakawana munhu anoziva nezveko uye ndaida kuti
vakavhunduka vasiye nyaya dzekutirova pamusha..
Zvino kuda vakatorwa nehama dzavo urwuwo rwana
rwaPedzi rwunoziva asi rwakangomirira kuti
ndirwuzvindikite rwugowana kutizawo rwuchienda
ikoko..
Ndakapinda mumba mevasikana rimwe zuva ndaona
hangu vadzoka kubasa kuchaonekera ndokuita
mudeme mudeme wokundipa pondo vari vaviri umwe
neumwe dhora.. Ndakanyarara zvangu ndokuona
Ropa abuda oenda kumvura uyuwo akambopinda
mutoilet kunogeza kuda ndihwo utsanana hwacho
hwekutanga munhu ageza ozopfugamira kumona

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 218 -
bhodho pachoto pautsi. Ndakangoti nechemumoyo
maia kwadzo nyemba kutsva dzarungwa
Ndakanyahwaira ndokunopinda muroom mavo..
Chakatanga kunditeya meso ndichipinda ndechimwe
chibwe chaibwinya zvekuti hana yangu yakarova..
Ndakafunga kuti Chido zvaakapiwa kabag kaDenis
kaakabva nako kwaMutare panhaka hakana kunge
kasechwa kuda ndiwo madhayimondi acho..
Ndakachibata ndikanzwa chichirema ndikati ndiwo
chaiwo madhayimondi.Kana mari yanaChido
yandakanga ndafambira kunotsvaka
ndakatombokanganwa nezvayo ndokubuda
nekadombo kaya.. Ndakanokaviga muhandbag yangu
yandakapiwa naChido aipiwa wo navatete vake achiri
mudiki. Ndakakanda kadombo kaya imomo ndikati
ndozomirirawo kana zvunhu zvagadzikana
naMuganhu ndomubvunza ndiye angatoziva kuti
ndonomatengesa kupi madhayimondi acho.. Zuva iri
kana sadza harina kuzopinda zvakanaka ndochema
mwana wangu. Vaizama zvavo Murambwi kuti
tirarame ende handina kumboziva kuti akanga
akasungwa mwana wangu ndingadai ndakaenda
kwaMutare yo ndakanomuona makore mana ose aya !
Ongozouya ozviita Jesu mwana wangu kufira mhaka
dzisiri dzake, handidi hangu kunyanya kufunga
nezvazvo nekuti handizivi kuti dai baba Jane varivo
vakafa hama dzavo dzaida kundirova zuva riya
dzaindiisa payi?
Kubva zvandatora kabwe kaya pese pandopinda
mubedroom mangu hana yangu inongotindimuka
ndofunga kurangarira kwandoita firo yemwana wangu
nekuda kwemadhayimondi ake andakachengeta
mumba..
Jane ndakazoenda naye kuclinic akanoitwa iyoyo
yavakati inonzi cansering. Kana neni ndave
nechivimbo chekuti haafi Jane uye mwana wake
achabudawo asina chirwere nyangwe zvazvo asina
baba. Kana muchirongwa atovemo mwana wangu
kwangosara kuti achinyoreswa kumadhona anopa
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 219 -
vamwe vakaita saiye chikafu. Mwari vakanaka havo
tinotorarama baba Jane vanowana tiripo gore
ravanodzoka..
Nyaya yechibwe yakandishayisa rugare pamba pangu
apa kungoziva kuti ndakachengeta mari yakawanda
kudaro mumba, ndakaita zvivindi ndikati kana mai
Sheri vokuda zvunhu vachanofara ndichivaratidza
mari yose iyi ko vanoizivirepi? Ndakasungirira
chidombo chiya pakona yezambiya randainge
ndakasunga ndokubuda ndonanga kwamai
Sheri.Kwakanga kosviba ndaisada kuenda masikati
nyika ingazondiona ndichidzingwa nemukadzi
waMuganhu..Ndakanga ndotosvika pamusiwo
pandakanzwa morari waive mumba maMuganhu
achitaura nephone vachichinjana nemudzimai wake ..
📞 "Haaa mangwana chaiwo ndosvikako sekuru nhasi
ndatadziswa naiye muzukuru wenyu aswera achikuya
dovi rekuti ndizouya naro"
"📞Chokwadi sekuru mungadai makafa ndozviziva,
vakagona chose mainini Ropafadzo zvavakaita
kana ini munhu mukuru handaizvigona"
📞"Eheee sekuru ndakanzwa shuwa mai Sheri achiti
mave kuenda kusvondo, musarega Shumba ndokune
ruponiso pamwe nehama neshamwari dzezvokwadi.."
📞"Ehoi Shumba tozotaura ndasvika mangwana"
Hana yangu yakarova moyo wangu ukapisa, ko
Muganhu nemukadzi wake vaindituka ivo vachiziva
kunasekuru vavo ? Ko iyo nyoka yandiri kupa sadza
rangu mwana waPedzi uyu? Ndakawinya zambiya
rangu ndokumhanya ndichidzokera kumba. Munzira
ndakagwazhura zijamhu ndikati ndonomuponda chete
Ropa.. Ugoona Jane akataura akati rovai munhu ataure
! Nhasi ochinotaura shuwa manje.. Pandainge
ndopinda pagedhe pangu ndakasangana namai Gire
achibva kumba kwangu. Ndakanonoka kurasa shamhu
asati aiona..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 220 -
Nhandi maiweee Mwari batsirai mwana waPedzi
onourawa hake. Rufu rwakaipa zvamunoona,
manje wanyanya kutadzei wamabatira zishamhu
rose iroro?"
Me... "Enda kumba kwako mai Gire usiyane nezvekumba
kwangu handiti wakati hauchadi chinokusanganisa
nenyaya dzekumba kwangu? Shamhu iyi inyaya
yekumba kwangu"
Ndakakweva shamhu iya ndokufambisa ndichipinda
muchivanze. Ndakanzwa mai Gire odeedzera kuti
"ndanga ndauya kuzobvunza kuti ichokwadi here
kuti Jane akabatwa chirwere?"
Nxaaaa! Ndakanzwa hasha dzisingaite.. Ropa ndaisada
kusvika ndichimubvunza ndaingoda kusvika
ndichimurova chete tozotaura ndapedza naye...
Pandakapinda mumba ndakawana Ropa naChido
vasimo, panguva iyoyo ndakanzwa kubwibwinyika
kuroom kwavo ndichibva ndanangako neshamhu
yangu.. Ndakasvikobhutsura musiwo ndikafara chose
ndichiona usina kukiiwa.. Ndakapinda ndakatofaswa
ndichitanga kubhura Ropa.. Ndakamupura kunge ndiri
kupura zviyo ndisingatarise pandinorova..Chido
akakwetsura mhere asi ndakaramba ndakatsika
chepakati.. Ndakadambura munhu uku asingazive
chaari kuroverwa...
Ndakakubvunza kangani Ropa kuti baba Janet
wanovasiyepi? Iwe kuita mbiri yekugona kutizisa
murume wangu kubva pano pandiri? Unofara
kuona Chido asina wekuti baba sewe?
Chido.. "Mhamha ndozvamuri kurovera Ropa?, baba
chero vakava mugomba kana muchuru vakanaka
vakadaro pane pano, moda kuvaitei kana vadzoka pa...."
Handina kumirira kutongeswa naChido
ndakamudirawo yake imwechete yekuperekedza hope
achibva ati ziii! Ndakatarisana naiyeyu wekuda
kunditonga pamba pangu ndikashamisika kuona asina
kana musodzi mumaziso.. Nxa !, zana remutakati

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 221 -
ndakati rega ndimupamhe futi ndopandakabatwa
nekumashure naJane..
Musamurova mhamha munomukuvadza, ikozvino
meso erayini rose aripano pamba penyu.. Ko asi
manzwei kwamanga maenda
Me... "Udzwa naiyeyu uyu kuti baba vako varipi ?.
Vanotofonerana nanaMuganhu nemukadzi wake,
kwavari vanotoenda kuchurch kuratidza kuti
varikumba kwemunhu!"
Jane... "Ropa ingotaura panekupondwa"
Ropa.."Jane, asi unofunga kuti ndotya kupondwa here
ini? Unoziva kuti mukoma Denis vakafa nekuda
kwangu....!"
Ndakambokanda shamhu pasi ndoda kunzwa kuti
mwana wevashakabvu uyu arikuda kuhumana kutii
ndigomunama zvakare neshamhu..
Ropa.."Dai ndisina kuramba kuti bamukuru vaende
kuJairos Jiri mukoma Denis vaizodya sadza raani
rinouraya? Munondiona kunge ndinozvitora nyore
zvakaitika izvozvo? Ndaive pano hama dzababa vangu
dzose dzichiramba kugara neni pakavigwa
vanamhamha, bamukuru bofu vasingaone ndivo
vakabvuma kusara vachindichengeta, zvose izvozvo
moti handioni handizivi? Moti moyo wangu unofara
kuona vachivigirwa sadza rakavigwa muzambiya
yamai Sheri kuti vadye vamwe mapiritsi avo? So long
ndisina kunovarasa mustreet kana kuJairos Jiri pondai
zvenyu rimwe zuva muchandifunga"
Achipedza kutaura mwana waPedzi akapangura
mhere yekuti kana ini wacho munhu mukuru mumba
ndakamboda kutiza. Akachema zvandakapedzisira
ndotonzwawo urombo asi ini handina mutemo
wekunyaradza nherera izvo bodoo!!
Me... "Saka iwe chausingade kungotaura here
kwawakavasiya?"
Usanzwa Ropa, usataura!

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 222 -
Ndakavhunduka pakadeedzera Chido akamira kuseri
kwaRopa. Ndakamutarisa ndakaita zvekumupena
nekuti mumba mainge mava murima ndaida
kunyatsoona chiso chake mwana wenyoka uyu.
Ndakazosiya ndokunopinda mubedroom mangu
ndodzeya mashoko emwana waPedzi neamai Gire,
ukuwo Chido anoita kunge akagarwa nevakafa.
Ndakatozovhunduka ndotobatwa nehope kuti
dhayimondi rangu ndarisiyepi ndokumuka ndonotora
ruzambiya rwangu rwandakanga ndasiya mukitchen
ndokuuya ndoridzorera muhandbag ndichibva
ndarara. Hope dzakabata here ndofunga kuti daka
rangu nemuzukuru Muganhu uyu richapera riini apa
iye anoziva kunasekuru vake ini handizivi ende
anototsigira Ropa kuti asaudza kana munhu. Ko uyuwo
Chido andakatakura muura mwedzi mipfumbamwe,
anozivawo here?

GARIKAI
Garikai Mukanya ndozita rangu. Mumhuri medu ndini
wekutanga pavana vatatu. Ndini ndega mukomana..
Zvechikorokoza izvi ndakazvitanga ndine 11 years
ndichitevera vanamukoma vemuraini medu vaingoti
pote votouya vachishamisira pamagirosa vachitenga
doro vauraya mari.. Ndopandakaona kuti chikoro
hachina kana dhiri better kunopindawo mumakomba
nevamwe. Mhuri yedu haiverengwi kuvarombo kana
kuvapfumi asi baba vangu munhu anoshanda nesimba
kusimudzira musha. Hanzvadzi dzangu mbiri idzi
dzinodzidza dzatove kumberi chose nedzidzo umwe
form 2 umwe form 4..Vabereki vangu vanhu vanofarira
zvechurch asi ini hangu ndini ndakatora yangu ndega

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 223 -
nzira yakasiyana nevamwe. Kuchikorokoza
ndakanoona nekudzidza unhu hwandisina kukura
ndichiona kumba kwedu. Baba vangu namai vakaedza
kundiita munhu asi zvakaramba. Handidadi neunhu
hwandave nahwo asika vakuru vanoti
"chave chigondora chave chimombe, chozvifurira"
neniwo ndakasarudzawo hwangu upenyu
hwakasiyana nehwekumba kwedu..
Chinhu chikuru chandisingadade nacho
ndezvandakaita panaJane, mukaona zvipurunyenye
zvemachinda andaichinjana nawo panaJane kana
ndega ikozvino ndaakunzwa kuzvishora
nekuzvidzikisira kwandakaita.. Jane mwana
andakaona kubva kare achitanga kuzoshanda
muBoterekwa and handina kumbobvira ndamuchiva
kana kumufarira chero zuva rimwechete zvaro.. Jane
ane utsinye neutsvina zvese, chero uchitaura naye
imhanza kuti akupindure zvawamubvunza zhinji
inyobvo chete ndaitomboti mwana wepaguru ndisati
ndanyatsomuziva. Ruvengo rwangu kwaari
rwakawedzera pandakaona mabatiro aiita munin'ina
wake watakanzwa kuti vabereki vake vakapararira
muBoterekwa nenjodzi yecombi. Handisi munhu ane
moyo wekupa wakasindimara hangu panochema
vamwe ndinochemawo uye kudemba nevanodemba
chitori chipo chiri mandiri. Handisati
ndamborasikirwa nehama yepedyo pedyo asi ndoziva
pain yaRopa but kutongorwadziwa kuti sei Jane ane
moyo wakadaro?
Unhubu ndaita hwakawandisa muBoterekwa asi
panaJane moyo wangu unongondiudza kuti
chaakatakura ndechangu besides utsinye hwake
mwana chipo chinobva kunaMwari ndogona kuramba
mwana mumwechete anozondichengeta mangwana
ndapera simba rekupinda mungwavava. Chokwadi
ndechekuti mwana uyu ndanga ndamuda hangu,
hongu nekufamba kwenguva ndingazodawo paternity
test kuti ndigutsikane sezvo takapinda takawanda

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 224 -
panaJane asi parizvino moyo wangu unoda chose kuva
muurongwa hwekugadziririra kuuya kwechipo
ichi..Munoona basa rekupinda mumakomba iri
rongoda kuperekedzwa nechimwechete zvacho
chakanaka chaunoitawo kwete kugara
uchigunun'unirwa nevanhu muupenyu.. Chokwadi
unofa wakadengezera magadhe evhu nematombo
wadhirikirwa mumugodhi.. PanaJane
ndopandakatangira kusarudza kuda kuita
chinoyemurika..
Pandakavhura envelop yandakatambidzwa naJane
ndainge ndakatarisirawo zvirinani. Hana yangu
yakarohwa nehana ndikamboita mainini Gari
kwekanguvana. HIV !!!.Handina kunge
ndambozvifunga akomana. Zvaive kutsi kwepfungwa
dzangu kuti pakuchinjana mwana wevaridzi panogona
kuita umwe wedu ane unye. Handina
wandinonongedza nekuti kana ini wacho handisi
mutumwa wedenga. Kwandabva kure.
Hazvingotambiriki hazvo kuziva kuti pawakapfuura
napo nezuro nhasi paonekwa shumba. Mubvunzo
wekutanga wandakazvibvunza ndewekuti 'ndakamira
sei Jane zvaakamira kudai?'
Ndaitadza kana kuzvitambira. Ndoziva hangu kuti
haisi death sentence tinotova nevamwe vatoshanda
navo vatoona vachimwa mapiritsi avo manheru kana
tapedza kudya. Vakagwinya zvekuti kana akabata
mugwara unoti kuda achawisa gomo rese...
Chakakurumidza kubata mupfungwa dzangu inyaya
yevabereki vangu, vachatii vachinzwa mawaniro
andakaita chirwere?. It's not like Jane ndakamupfimba
kana kuti taidanana, chokwadi chaicho ndechekuti
Jane taimubata chibharo seni hangu kana cent
ndaisambomupa ndaingoseva chete pandadira, ende
ndofunga ndini ndaitokambura kudarika vamwe ava
nekuti ndini ndaitozviita muridzi wezunde...
Pakasimuka Jane odzokera kumba ndakasara
ndikakwidza negomo handizivi kwandaienda.

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 225 -
Ndakanogara padombo ndikambochema ndiripo.. Apa
ndopandainge ndorangarira mashoko ababa vangu
pavairamba kuti ndiite upenyu hwekumakorokoza..
Mai vakakosha zvamunoona, chero ukapenga nenyika
kunamai unodzoka chete.. Ndakadzika gomo ndave
nepfungwa yekuenda kumba kunamai vangu. Mai
vangu munhu akanyanya kupindwa neshoko raMwari
chero ukasvika pavari wakaremerwa vanotokuvhurira
verse inoita kuti uone kuti zvaurikusangana nazvo
hazvina kutangira pauri vakawanda vakasangana
nazvo ende inguva chete zvese zvichanaka ..
Ndakasvika kumba hwave usiku uku munhu
andakaoneka ndimupfana Tinashe ega asi handina
kumuudza nyaya yainge yauya naJane. Ane hana
yakadzikama zvake mupfana wacho ndosaka
ndichimufarira asi yechirwere iyi chokwadi ndakazeza
zvese nekutya kumutaurira..
Mhamha vangu handina kumbosvika ndikavavanzira
ndakavataurira chokwadi chakaitika kumakorokoza..
Mhamha vangu vakarwadziwa zvandakaona
mumaziso avo asi vakandivimbisa kuti chero ndikava
nacho kana kusava nacho vaizondisupporter kusvika
ndayambuka.. Takamuka tichienda kuchipatara
namhamha tisina kuudza mudhara , takawirirana kuti
tozomuudza tadzoka.. Ini kuchipatara hangu kuda
ndakaguma kuendako ndakaberekwa kumusana
namai vangu. Handirangariri ndichitsika netsoka
dzangu kupinda muchipatara ndokekutanga..
Ndakanoitwa matests atainge tafambira akanzi
aizotora less than 20 minutes kuwana maresults..
Ndakatozvishayaka kuti sei paya Ropa akandiudza
kuti Jane aizonotora maresults ake after 3 days !
Maresults enyu aya hanzvadzi they are negative➖.
Kureva kuti parizvino hamuna utachiona hweHIV
asi mungazodzoka zvenyu after 3 months
mozotestwa zvakare

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 226 -
Ndakatadza kuzvibvuma, kana kusimuka pandainge
ndakagara ndakambotadza..Ndakangotarisa mhamha
kumeso nechemumoyo ndikati
"Mwari wenyu akanaka mhamha"
Takabuda hedu asi ini ndaisaziva kuti ndofara here
kana kuti chirwere chichiri pawindow period yarehwa
nanurse! Ndakapatitswa mupfungwa idzi namhamha
vakati..........

End of chapter 24

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 227 -

CHAPTER 25

ROPAFADZO

Kubva zuva randakaziva kuti Janet paakasevewa


kuBoterekwa akaita mimba zvese nechirwere handina
kuzoda kusekerera vakomana vemugomo muya. Kana
Tina ndaakunzwa kumutya mazuvano.. Imagine
vangani vakomana vave nechirwere chavakaita
chekugovana?. Tina ndakamuziva anguva agara
muBoterekwa, ko kana ane zvaakakamburawo apa iye
achiti anondida. Aiwa kana zvangu vakomana
vemuBoterekwa utori mukombe unofanira
kundipfuura zvawo.. Iyewo haasi kudzora tsvimbo
Tinashe, pese patosangana kubasa nyaya yake
haichinji asiwo ini mhinduro yangu haichinji..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 228 -
Ndakaramba ndorwadziwa moyo nekuda
kwekadombo kangu. Ndoda mhani kuitira vabereki
vangu zvakangonaka zvega ndoziva kuti havana
kundisiya nekuda kwavo. Vaida chose baba namai
vangu kuti ndikure vachiona asi nenguva zvakaramba.
Handina kuvagumbukira ndovada chero vari
kwandisingazive.. Maruva handina hangu ekuvaisira
pamakuva avo ndosaka chidombo chinopenya chiya
ndainge ndachisarudza kuti chipenyesewo pamakuva
avo..
Kubva zuva randakachishaiwa ndaenda kugomo kave
kaviri ndichitsvaka chimwe asi handisi kuchiwana.
Mumba ndakabhudhura pese veduwee asi hapana
chandakawana. Ndotomboedza kutarisa zviso
kunyanya Jane namai vake kuti kuda ndingawana
chimwechete chine mucherechedzo wekuti ndiye
munhu akatora dombo rangu asi ndiri kuita kunge
ndirikutamba nenguva yangu..
Mari yangu yandakatora pasi pedombo ndakaihafura
imwe ndikabatisa mai Shumba 50 us yandichatanga
nayo musika.. Imwe ndinayo ndakaiviga pandoziva.
Ndaisada kuti mai Shumba vazive kuti ndine mari
yakawanda kudaro.Zuva randapedzisira kuvaona
vainditaridza mapic abamukuru arimuphone mavo..
Chokwadi maiguru vakamaona vanowa vakafenda.
Kana neni zvakanditorera kanguva ndakatarisa kuti
ndione kuti ndivo bamukuru. Ikozvino vave nemaglass
matsva emaziso kwanzi vakamapiwa kuchurch..
Vakanditaurirawo mai Shumba kuti munhu aive
pamusika wavo akazobva saka chero nguva
vakanditarisira kuti ndiuye. Hameno zvakaudzwa mai
Shumba namai Sheri pavakaenda kuShurugwi. Kubva
pavakaonana namai Sheri mai Shumba nyaya dzavo
ndedzekuti ndizogara navo kuShurugwi.
Chandisingade kubva kumba zvakaipa. Zvakaitika
zvakaitika hazvo pamba paya asi chokwadi ndechekuti
ndofanira kutenda maiguru nekundichengeta
kwavakaita. Vakuru vanoti "natsa kwawabva
kwaunoenda usiku"..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 229 -
Ndiani anoziva pamwe tozooneswa nhamo namai
Shumba tikadzoka zvakare kuzopfunya pamba pamai
Janet.
Ndaive ndakarivara hangu ndichitozviudza kuti
mumazuva maviri matatu ndooneka ndoenda
kuShurugwi. NaChido taizopota tichionana nekuti mai
Shumba vakati ndichapota ndichienda kuBoterekwa
masikati navo. Maiguru vainge vabuda havo vaenda
kwamai Sheri hameno zvainge zvafambirwa. Takasara
tikaburana naJane tinaChido achiti tisaseka tiri
kumubhowa. Nhai kana vanhu vachiseka zvinobhowa
unobva ka pavari pane kurambidza vanhu kuseka.
Takasiya tamudira mwando tichibva tanorara hedu
sezvo tainge takasira kubika nekudya. Tairova nyaya
dzedu Chido achingorwa neyabamukuru vake Tina
yaasingadi kusiyana nayo. Handimudi Tina ini ko kana
akasevawo pane unye ndigodii hangu munhu
wenherera ? Taive mukati menyaya kani tichiseka
naChido patakangoona kadoor koita zvekusundirwa
kure ukoo negumbo, ndakangozoona ndave mukati
meshamhu. Ndakarohwa kani inzwai neni. Ndairohwa
nemunhu anyerere arikupedzera simba rake panyama
yangu kwete pakutaura. Pakutanga ndakamboti kuda
vanzwa nyaya dzatanga tichitaura dzinaTina mukati
kana kuti kutuka kwataita Jane asi pavakazotaura
nyaya yavo pakapinda Jane ndakanzwa hana yangu
kuzara nehasha ndikapfeka zvivindi muviri wese ! The
same mai vakadana vanhu kuti vazosenga bamukuru
vaende navo kusina kana anoziva ndivo zvakare vave
kundirovera kuti ndoziva kunabamukuru?
Kuzozvitaurira kuti vanofonerana naMuganhu namai
Sheri, ehekaaa ko ivo zvavabata papi handiti kuti
bamukuru vabve pamba ndochaive chinangwa chavo
ndozvavaida here? Vakasanditenda nhasi uno kuti
ndakavabisira bamukuru pamba vanoda
kuzonditenda nechingani? Ndakazara nehasha zvekuti
dai taive vanana toga ndaifa nemunhu. Bamukuru
ndiyo hama yangu huru yandakaziva mushure mekufa
kwevabereki vangu, vamwe vese vandaiti vanatete
nababamukuru vakandiramba pachena kuda inyaya
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 230 -
yekuti baba vangu vainge vasinawo chavanacho.
Mumoyo mangu ndosarudza kuurawa asi
handimbotaure kunababamukuru. Vadii kubva
vaudzwa kwavanzwa zvephone ?..
Dai mai Jane vaiziva kuti kune varikundinyengerera
kuti ndinogara navo havaimbondigumha zvavo asi apa
vakabva vatoirasa. Ndakamboda kutiza usiku
ihwohwo mavanga eshamhu achiri kusina ropa asi
umwe moyo wakati rara wozooneka kwakachena.
Ndakarara hangu ndichinyaradzwa naChido and
handina kumuvanzira kuti mangwana patinoenda
kubasa ini handidzoki. Akaedza kuda kuziva Chido kuti
ndirikuenda kupi asi ndakamuvimbisa kuti aizoziva
munguva pfupi irikutevera zvese nekunabamukuru..
Takarara late tichitaura naChido asi ini nyama
dzairwadza, zvaindiwedzera shungu nezvivindi
zvekuudza chero ani zvake nyaya dzake!
Ndakarongedza tuhembe twangu tushoma
ndikazomutsa Chido ndatopedza kugeza.. Paakanga
ave kugeza ndakananga kubedroom kwamaiguru
ndokunogogodza..
"Urikudei pamusiwo pangu husiku hwakadai ?"

Vakataura mai Jane vakasadharara vakamira padoor


pavo kunge vaivharira ini kuti
ndisapinda..Ndakamboda kubvaruka nekuseka
runight dress rwavakanga vakapfeka rwaive nemaresi
akanga akabvaruka bvaruka akaremberera kubva
muwaist umu achirova kutsoka uku hwakaita
umvemve ungati ndeuya muti urikumunda unonzi
mumveva.Mucheno wehope unodiwa vanamai kana
mazogara, unofira kuhope vanhu vakaseka
pachinhambo chekuchema.
Me... "Sorry mhamha nekukumutsai kuseni kuno..
Ndine urombo nekubisa bamukuru pano pamusha
kwandakaita asi ndati ndikuudzei kuti kwavari vari
safe, vagere zvakanaka. Makaita basa mhamha

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 231 -
mukanditambira panguva yandaive Murambiwa
ndichirambwa nehama dzese... Ndaakuteterekawo
nemasango, sarai neriri, babamukuru vapenyu,
vanofara varisafe uye muchaonana navo zvakare
kana Kudenga kwabvuma.. Ndave......"
Hiweeee!, usamukira kundidhunyira kuseni kwakadai
mwana waPedzi, kupi kwaunoenda? Kana uchida kubva
pano tanga wanouya nemurume wangu uzomusiya
pano iwe uchienda !"
Ndaida kuvamwaya nyon'o yetsindi asi
ndakakurumidza kuzvidzora. Pandakacheuka Chido
akanga akamira kumashure kwangu akabata kasetchel
kangu kandainge ndarongedzera tumadhende twangu.
Ndakabva ndafamba ndichibuda ndakanyarara...
"Ropa, urikuendepi? Mhamha murikurega
Ropafadzo achipesanisa tukumbo achibuda muno
mumba kuti anogara kwanaTinashe mune
chokwadi?"
Chido.. "Kana usingazivi zvirikutora nzvimbo ko
kumbonyararawo nhai Jane ?"
Ndakangocheuka ndichibva ndamboita kanguva
ndakamutarisa Jane ndakaona udofo hwake
hwakanyorwa face yese, unosainira baba kuti vaende
nevanhu vavasingazive pedzezvo mimba isina baba
nechirwere zvese pamunhu 1 apa arikutochema
nezvaTina kutadza kuona chirwere chakamunama
muviri wose nxaaaa!
Ndakabva ndatobuda naChido ndokuenda hedu
taakutotaura nyaya kukanganwa zvaitika kumba...

TINASHE

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 232 -
Ndaimbonzwa dzimwe boys kana tichitaura nyaya
dzezvimoko tirikumakomba vachiti musikana ane
unhu ane tsika anoonekwa nekusakasira kubvuma
mukomana.. Ini panaRopa ndazotambura varume.
Handina hangu wandosheya naye nyaya dzangu
kumakomba kuti vazive kuti ndiri kupfimba Ropa asi
ummm ndazotambura ini, ndaiti seshamwari yangu
zvichangoita nyore kuti ndokuda otiwo horaiti. Munhu
andoita sekuvimba paboys dzose ndiblaz Gari asi
kubva zvavazosevesawo Jane handina kuzoda
kuvaona vachitambira pedyo naRopa wangu.
Mazuva ano ndave kutoita sebenzi muBoterekwa
mufunge, kungoona Ropa achitaura nemunhurume
ndotsamwa zvekuti kana ndisina kuziva zvavanga
vachitaura ndinonotadza kana kumedza sadza ramai
Tina. Hameno pamwe ruchengera irworwo ndirwo
rwuri kunditadzisa kudiwa
naRopa ndichagozivei?
Upenyu hwemuBoterekwa mazuvano hahusi
kundiitira sakare. Kubva zvandakatsanangurirwa
naRopa kuti Jane akabatwa chirwere ukuwo blaz Gari
vakangoita chipata pata kuenda kumba ndakashaya
kuti zvamboita sei? Imagine vanhu vese vakarara
naJanet vese vanotofanira kunotsika mutanda
kuchipatara kuti vaongororwe kana vasina kudirirana
chirwere. Ndozvimwe zvakazowedzerawo ruchengera
rwangu pamusikana wandinoda..
Ndakakasira kumuka rimwe zuva ndokurova basa
rangu ndaida kuzombonopinda mutown muShurugwi
ndimbotengawo bhutsu nebhurugwa semunhu
akamboita zvimari. Ndakaona Ropa naChido
vachisvika zuva richangobuda. Pfungwa yangu
yakabva yamhanyira kuneimwe tip yandakambonzwa
neboys kuti kana ukaomera unofa uribhachura.
Ndakabva ndamhanya ndokunosangana naRopa.
Ndisati ndatovhura muromo wangu kutaura ndakaona
shamhu nhatu dzakanga dzakadhinda paruoko rwake
apa dzaive dzakaita kucheka chaiko pachitosina ropa..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 233 -
"Wakarohwa nani Ropa!"
ndakabvunza ndakamutarisira mumaziso chaimo..
Pane kundipindura Ropa akabva andimbundira
ndokutanga kuchema. Hana yangu yairova
ndakazarwa naRopa muchest mangu. Pakutanga
ndakambopusa, handisati ndambova paposition iyoyo
nemusikana. Ndakamunyaradza ndichimupukuta
musodzi. Ndainzwa kuti akazara neshungu
ndakambomupa nguva yekuchema shungu dzese
ndisingataure naye.
"Tina, ndave kunogara kwamai Shumba
kunabamukuru. Kupondwa kudai ndakaponderwa
nyaya yekubvisa bamukuru pamba "
Me... "Ropafadzo, ndine urombo. Ndirikutadza
kukuprotector semunhu wandinoda. Sorry ndirikuona
kuti urimumarwadzo. Ko wadii kubva wananga
Shurugwi warega kushanda nhasi?"
Her... "Ndiri right Tina inga ndiwe
wakambonditaurira paye wani kuti nherera
haicheme inoshinyira nekuti wekuchemera
hapana"
Mashoko aya ndini ndakamataura asi kunzwa
achibuda mumukanwa maRopa akabaya kunge tsono
mumoyo mangu.. Ndakatadza kuzvidzora ndichibva
ndadonhedza musodzi.. Ropa akangoswedera pedyo
neni achibva andibata ruoko akati
"rimwe gore tichazofarawo Tina, Mwari havasi
benzi. Unoti vakasarudza kutitorera vabereki
pasina chikonzero here !Zvongoda kushinga chete?"
akabva afambisa achienda Ropa.
Ndakasara ndichishinyira kunge mhungu Ropa aenda
kwakanga kwakamira Chido.. Kana basa handina
kuzoenderera mberi ndakabva ndatonorara mugomo.
Mumoyo mangu mainge makasangana marwadzo
nemufaro wekuti Ropafadzo abudawo mumaoko amai
vaJane.. Mhamha vangu havarari vasina kunamata

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 234 -
ndakatozviudza kuti kana vauya ndichazovaudza kuti
vanamatirewo Ropa nababa vake kuti mai Shumba
vangoitawo havo moyo murefu vakwanise kugara
navo zvakanaka. Ndakatozokasira kuchaisa ndaisada
kuona Ropa achienda namai Shumba nekuti aiti
anogona kumboita svondo rese asingashande
akazorora nekuti muviri wake waive nemarwadzo.
Ndakasheedza Chido ndikamubvunza kwaainge aisa
bag raRopafadzo achibva angoita zvekusheedzera
achimhanya aitova hake pabasa. Ndakanopfekera
100us yandaida kuenda nayo Shurugwi muchihomwe
chesetchel ndichibva ndafuratira ndokutenuka
ndonanga kumba moyo wangu uchichururuka ropa
chaiko kuti handisi kukwanisa kuita zvihombe
pakubatsira Ropa..
Kumba ndakasvikorara kukanganwa kuti masikati.
Ndakapeputswa nenock yakarohwa padoor.
Ndakarohwa nehana nekuti ndopandakaona kuti
mumba mainge muchakachena kuratidza kuti ndarara
kare chose..
"Kwakanaka here bamudiki marwara here?"
Ndakati kwarakwashu kunge tsuro pandakanzwa izwi
raGari aripadoor..
Me... "Aaah madzoka blaz!. Handirware zvangu
kungozororawo"
Him.. "Yhaaa ndasvika manje manje ndikanzwa kuti
waswera kuno kumba nhasi, ndoda kukurukura newe
Tina"
Me... "Pakanaka blaz, pindai mumba tigare pasi.."
Him... "Aaah paya ndakangozobva ndomhanya ndaive
ndakavhiringika wena.."
Me... "Ndakasara ndonzwa nyaya yacho.. Zvakamira
sei ndanga ndiri worried"
Him.. "Handizivi kuti ndozvitsanangura sei Tina.
Ndosaka ndauya kwauri.
Me... "Waakundityisa murume, ko chii futi?"
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 235 -
Him... "Jane akabatwa chirwere handiti?
Me..."Right."
Him... "Kuenda kwandakaita kumba ndaidawo
kunotariswa kuti handinawo here chirwere sezvo
ndakapfuurawo nepana Jane"
Me... "And?"
Him... "Handina"
Me.. "Whaaaaat?"
Him.. "Exactly. Ndosaka ndati handigone
kuzvitsanangura. Asi ndodzokera kunotestwa after 3
months. Kana ndisina ipapo it means Mwari
vandinzvengesawo apa"
Me... "Eishy, moita sei naJane nekuti paya
mairatidza kuti moda henyu kutambira pamuviri
apa"
Him.. "Ndopane nyaya yese. Handigone kutora Jane ane
chirwere ini ndisina. I am too poor to die nechirwere
chekupakurirwa bamunini"
Nyaya iyi ndainzwa ichindiremera paminute rega rega
rataitaura naGari but apawo ndakamboseka
kumbokanganwa nhamo dzangu. Inga Jane ane shavi
remarambashuga chairo.. Munhu angozvipira hake
kuti vachengetane namwana wavo poitika zvakadai ?
Ndakabva ndatowana pekupedzerawo shungu
dzenyaya yangu..
Me.. "Haaa kana mazodzokera mukawana kuti
chirwere hapana mogona kurega mai mochengeta
henyu mwana chete"
Him.. "Mhamha vangu ndozvavakataurawo kuti kana
ndine chokwadi chekuti mwana ndewangu
ndichengete"
Me... "Munacho here chokwadi chacho"
Gari akanditarisa neziso raitosiririsa kunge imbwa
yanyemudzwa bhonzo retsuro yayazvibatira yega..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 236 -
Me... "Ini hangu ndoda kuti Jane abatsirike pamwana
waakatakura uyu asi kuzungaira mhani mai yacho..
Akanyanya kutodza unhu hwamai vake. Ipapa Ropa
nhasi haana kutonyatsoshanda akakwaturwa maoko
kumusana nemumakumbo umu neshamhu namai
vaJane"
Him... "Nxaaaa! Ndopavanobhaiza ipapo ko
vakauraya futi nherera iyi vasati vapedza mhosva
yekuuraya mwana wavo."
Me.. "Saka muchaitasei mukoma nenyaya iyi?"
Him... "Nhasi manheru kugomo ndofanira kuzivisa
vanaVincent naPugede vaende kumatests"
Me... "Ndoda kuvapo muchivaudza"
Him.. "Yha ndichazoedza kuti nditaure naJane
ndimuudze zvandiri neway forward"
Me... "Yhaaa urimurume wena. Mawaniro aakaita
mimba iyi Jane itori mhanza kuwana munhu
umwechete anoimiririra"
Him... "Eishy pakaipa apa bamudiki"
Me.. "Haaa maita zvakanaka blaz mwana haana
mhosva munozoziva chokwadi azvarwa chero akasava
wenyu hazvina basa munenge mabhadharawo
zvamakaita Jane. Musazvipamha futi mapotswa
nemusungo apa musadzokorodza"
Takaseka tichibuda hedu tovhara musiwo tichibva
takwidza gomo..

End of chapter 25

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 237 -

CHAPTER 26

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 238 -

JANET

Ini hangu Mwari vakandigonera vakandipa moyo


webenzi, ukaona pandorwadziwa ini pane chikukutu
chinenge chaitika.. Zvakaitwa naGari paakaziva
zvandiri hazvina kundishamisa ndaiziva kuti
ndomaitiro ake haaimbobvuma kuramba achitaura
neni iye aziva kuti ndine chirwere. Mumoyo mangu
ndakatenuka gomo kuenda kumba ndichinyatsoziva
kuti naGari zviuno takaisa divi rimwe. Papi
pandingaita chirwere iye akachishaya munhu akarara
neni kasingaverengeki?. Vese zvavo nevamwe
vaaishanda navo pandiri..
Pfungwa yekuti mwana haana kana preperation haimo
hayo mumusoro mangu nyangwe zvazvo mhamha
vachigara vachindituka kuti mwana
ndichamupfekedza madhende, ndini ndingadiiwo?..
Ndongoona kunge zuva randinobatsirwa mwana iyeye
pachangoitikawo minana ndowana bag rezvunhu
zvemwana. Ukuwo muraini medu handichina kana
kwekufambira chero iye akamitiswa nehanzvadzi
ndiye anganyeyewa zvekudaro here ? Pese
pandangosvika vanhu vanotombomira nyaya dzavo
votanga kundisewura gotsi. Kunyeya ini
zvakangofanana nekuchonya bofu, kupedza nguva.
Mhamha pavakarova Ropa handina kuzvifarira. Kwete
kuti ndaisada kuti arohwe, Ropa ndomuvenga zvisiri
zvesecret asi kuti mazuvano rayini rose riri kutaura
nezvekumba kwedu saka ndakaona isiri nguva
yakanaka yekuti Ropa arohwe. Dai vakambomira
zvunhu zvagadzikana murayini vozomubata, ipapo
kana ini ndaivabatsira hangu.
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 239 -
Kubva kwaakaita pamba Ropa ndaizviziva hangu kuti
nekuonererwa kwaave kuita mazuvano achatobva
chete kuti zvityise vanhu vawedzere kutaura...
Chakandishamisa pazvose zvaiitika maitiro aChido.
Nhai zvenyu Chido kupandukira mhamha kunge
akarerwa naRopa kusaziva kuti Ropa
anotozvitamburirawo achangodzoka mumaoko
amhamha ? Ndakangozviudza kuti ndichamuwanira
zvangu mukana Chido ndigomusimudza nenzeve
chaiko kamunhu kepi kanenge hoto kungotevera
kwaenda mhepo!.
Pamba pakasara poita kunge pachangofiwa, ini
namhamha hatina nyaya ukuwo Chido anongobva
kuBoterekwa akadya akaguta osvikorara haabudisi
kana 5c zvayo.. Ini zvondinetsa ini, pandaishanda
Chido achiri mudiki achienda kuchikoro ndaiuya
nemasweets mazuvaose ndichimupa. Pamba vanhu
vairara vakaguta ndichiuya ndakatenga usavi mhamha
ndichivapa mari yekushandisa pamusha asi nhasi uno
handichagoni kunoshanda Chido ukamuudza kuti
atengewo chiusavi kana achibva kuBoterekwa
anotokuudza kuti handisi baba vepano ndiri mwana
ndotodawo kuchengetwa !. Nani ariiye anoshanda.
Rimwe zuva ndaiumburuka hangu ndichitevedza zuva
nekasaga kangu. Ko ini kurara ndave kuita kunge
ndakaroiwa chaiko. Ndaive neshena imwe yaitotyisa
yaisvika kumeso. Kugeza ndinombogeza hangu asi
mafuta ekuzora hapana, taimbonotora malemon
kwamai Shelly ekuzora patinenge tisina mafuta zvino
ikozvino kwakaberekera ingwe.. Chido ega ndiye
aunotonzwa kunhuwirira camphor kana ageza asi kuti
uzive kuti anoiviga pai mumba ndakaedza kutsvaka
ndaneta..
Ndakaona kamwe kamwana kainge kakapfeka
uniform yekuchikoro kachiratidza kuti karikutobva
kuchikoro kachisvika pamba pedu. Mhamha vainge
vasipo varikumunda.. Kamwana kaya kakasvika
ndokundikwazisa kachibva kati

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 240 -
"sisi Jane , murikudiwa neumwe mukomana
akagara pakona yeruzhowa apo"
Me.. "Aaaah mukomana ! , akaita sei?
Kamwana... "Akaita mutsvuku ane mazibvudzi
akaremberera kusvika kumusana uku"
Me... "Enda unomuudza kuti ngaauye kuno ndinorwara
handigone kufamba kusvika kwaari"
"Ehoi sisi Jane"
Kamwana kaya kakabva kamhanya kachienda
ndikasara ndakangobata muromo.. Gari anodei kuno
kumba kwedu uye audzwa nani nzira yekuuya pano ?..
Ndakati vharavhazu ndokunotora ruchira mumba
ndichibva ndauya ndokuzviputira kuti makumbo
asaonekwa shena ndichibva ndarara semurwere
chaiye.. Pasina nguva ndakanzwa imbwa dzoukura
ndikadzidana dzichibva dzauya kuzorara pandainge
ndakarara..
"Ndorumwa neimbwa dzenyu idzi Jane, manje
zvadzauya pauri kureva kuti ini handichatoswederipo
kaa"
Me... "Svika kana ndiripo hadzikurumi"
Akauya ndokugarawo pakadombo kaive pedyo
nepandaive ndakarara. Akanga akageza Gari akasunga
dread rake akapfeka nhumbi dzakanaka zvekuti
ndakatombomushaya chaiko. Tajaira kumuona
arimumadhumbu ekushandisa kumakomba uku zuva
iri aiita kunge asiriye..
Him.. "Wakadii hako Janet sorry kungokaruka ndasvika
kumaraini kwako tisina kutaurirana"
Me.. "Taura zvawafambira obvious hauna
kufambira kuzondikwazisa. Wagara une chii
chawakamboita tatanga tataurirana?"
Him.. "Ndauya murunyararo Janet, handina kuuya
kuzorwa plus ndofanira kukasira kubva pamba penyu
mhanha vako vasati vauya"
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 241 -
Me.." Ndosaka ndatika taura zvawafambira"
Him.. "Ndiri negative Jane , handina chirwere"
Me.."Nekuti wakagwinya wozviona kunge usina
chirwere?"
Him..." Kwete ndakabva kumba marimwezuro,
ndakanoenda kuclinic namhamha vangu
ndikawanikwa ndisina asi ndakanzi ndidzoke after
mwedzi mitatu"
Me... "Okay saka pano wavingei?"
Him.. "Jane, sorry pane zvandakakuita.. Handina
kana simba rekushanda ufunge, hameno chaive
chakandipfeka paya asi ikozvino ndave kuona
utsinye hwezvandakaita "
Me.. "Sorry haishandi Gari, tarisa ndakarara pano
handikwanisi kunomhanya nemabuckets sezvandaiita
zviya. Kuti hauna chirwere hazvirevi kuti mimba haisi
yako. Endai munotaurirana nevamwe vako mutenge
preperation yemwana sekundikomberana kwamaiita"
Him.. "Handina kufambira kuzotaurira vamwe Jane
ndavinga kuzotaura newe ndakazvimiririra.
Nhumbu ndinochengeta. Zvese zvinodiwa
zvemwana ndichatenga."
Me..."Zvozodii?"
Him.. "Toona zvinotevera kana mwana avepo"
Me.. "Wonditorera mwana wangu?"
Him.. "Kwete ndichimutorerei, inga unongoziva
wani kuti mutemo wenyika haubvumi kuti nditore
mwana mucheche panamai vake!"
Me.. "Horaiti kana zvirizvo zvega zvawafambira
ndazvinzwa"
Him.. "Pane zvimwe"
Me..."Zvei?"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 242 -
Him..."Janet, kuva nechirwere hazvirevi kuti wave
kufa. Usaita give up nekuti wabatwa utachiona
hweHIV. Urimunhu akasimba ndozviziva,
ndakakuona kubva kare urikamwana uchishanda
muBoterekwa. Zvese izvi zvinopfuura. Ndaikumbira
zvakare kuti sezvo uchazova amai munguva pfupi
inotevera chinja maitiro ako pamwe nemoyo wako.
Ida vanhu, zvininipise, zvideredze uve nemoyo
wakanaka Janet ndokumbirawo. Upenyu uhwu
hauzivi ramangwana kuti rinenge rakamira sei?"
Ndakambovhunduka kunzwa mashoko aya achibuda
mukanwa maGari. Gari chaiye iye uya gweja
wandoziva akandidambura umhandara muBoterekwa
akatarisa divi ndichichema asina kana tsitsi?
Ndakangokaruka ndati ,
"Ibva pano!"
Him.. "Huh!
Me... "Ndati ibva pano Gari mhani!!!!!
Him.. "Aaah sorry Jane ndanga ndangoti ndi...."
Me....(ndave kuchema) "Ndaive ne13 years Gari
pawakandibisa umhandara. Ndaichema ndaisaseka,
zvairwadza zvaisanakidza.. Dai waive nemoyo wauri
kundiparidzira waienderera mberi here, moyo wetsitsi
wauri kundiudza ndeupi???? Waiita chibhuru chako
uripamusoro pangu uchindityisidzira nhasi uno wave
ku..."
Him..."Ndichazvishora kweupenyu hwangu hwese
Janet. Zvakare undiregererewo ndapota hangu.
Handizivi kuti ndaive ndakabatwa neshavi rudzii!"
Pandakatsvanzvadzira ndichitsvaka patapata rangu
kuti nditemese Gari mhamha vakangokaruka
vabudikira nepakona yeimba..
"Aaaaah iwe pamba pangu!!!! Unodei pamba pemuroi!
Kasira kunyangarika handidi kana kukuona..!"
Vakakwamatata mhamha vachitura zitswanda
ravakanga vakatakura. Gari akati kwarakwashu
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 243 -
paakanga akagara achibva andikandira mari yakanga
yakapetwa petwa yairatidza kuti anguri aibata
muruoko..
Akadeedzera ave pamucheto pechivanze akati Sorry
again Janet.wozotenga chaunonzwa kuda kudya.
Ndichaita zvandakuvimbisa
Mhamha vakambokanganwa zvekudzingirirana
naGari ndokumhanya vachidzoka pandiri , handina
kumbofunga kaviri ndakabva ndaita zvekubvuta mari
iya pamakumbo pangu payakakandwa tichibva tati
tuzu namhamha tatarisana semachongwe aneta
nekurwa.. Ndopanonetsa mhamha ipapo, havadi
kuona mari kunge ndivo vakarara naGari..

ROPAFADZO

Pataikwidza Boterekwa namai Shumba takananga


Shurugwi meso angu aingova pawindow ndakatarisa
pakarovera combi yakaurayisa vanamhamha
ichizokunguruka yonanga mumapiripiti munova
makanoperera upenyu hwavo.. Misodzi yakakaruka
yodonha ndikaramba ndakatarisa panze nepawindow
kunge ndine chandaiona. Mumoyo mangu ndakatanga
kutaura ndichiti ,
Mai Ropa nababa Ropa , ndasimuka pamusha
pamakandisiya ndave kunotanga upenyu hutsva
neimwe mhuri yevatorwa muShurugwi.
Ndatambura namai vamakandisiira asi baba

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 244 -
ndinavo. Titarisirei titambirwewo zvakanaka
namai Shumba vagare nesu zvakanaka. Ndoda
kunovhura musika baba, muite kuti utengwe
ndiwanewo kuchengeta bamukuru. Mavanga
andinawo ekurohwa haana basa musamatarisa
uye musatsiva maiguru zvakatopfuura. Ndaive
nekadombo kandaida kukuisirai kakanaka zvekuti,
kakabiwa mumba kana mazokaonawo muite kuti
ndizokawana ndigokuisirai pamakuva enyu

Ndakapedza kutaura ndave kutosekerera hangu


ndakangotarisa panze combi ichitambura kukwidza
makata eBoterekwa..
Takananga kumba kwamai Shumba nekuti vaiti vana
vavo vatobva kumusika.Mwana wavo musikana
mukuru ave kukwanisa 20 years, aripamba hake
parizvino asi ainzi anodzidza hake kuUZ.. Takasvika
kumba vatopedza kubika nekahanzvadzi kake...
Ndakatambirwa nemufaro nabamukuru
nekahanzvadzi kacho asi sisi ava vakamboti tumbi
vakanditarisa pandakapedza kukwazisa bamukuru.
Ndakangoti nechemumoyo umwe Jane here muno
mumba Mwari ndibatsirei
"Lindi, ratidza Ropa muroom maacharara handiti
Ishe atama here?"
Vakadeedzera mai Shumba varikusittingroom
kwavakanga vatogara havo nabamukuru.
Lindi... "Eheee atama mhamha regai ndimuratidze""
Lindi akafamba mberi akabata kasetchel kangu ini
ndichitevera takanyararidzana. Takapinda muneimwe
room yakanga ine double bed yaive yakashongedzwa
zvakanaka chose.. Lindi akangonongedza neruoko
kuratidza kuti ndimo muroom macho. Ndakangotiwo
maita basa
asi moyo wangu waipisa kuti Lindi andivengerei
nhai?..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 245 -
Lindi... "Ropafadzo, wauya kuzotora baba vako?"
Me.."Kwete ndauya kuzogara pano nemwi asi kana
usingazvifariri ndovatora hangu tobva.
Ndinozvinzwisisa"
Her..No, no Ropa don't get me wrong. Kubva
pawapinda ndaita worried zvisingaite. Isheunesu
kubva zvakauya daddy vako pano ari happy
zvaasina kumboita kukura kwake kwese. He loves
your father so much Ropa. Ndafunga kuti wauya
kuzomutorera. He never had a father figure upenyu
hwake hwese nekuti baba vedu vakashaya asati ave
kunyatsovaziva. Kana usina kuuya kuzovatora then
come here"
Ndakaenda panaLindi achibva andipa hug ndakanga
ndangopusa ndiri mumaarms ake ndotoshaya kuti chii
chirikuitika pamunhu anga akanditi kwindi manje
manje apa..
Lindi... "Kubva nhasi Ropa ini newe we are sisters
handitika! Muno ndomaucharara manga muri muroom
maIshe but atama avhurira iwe"
Me..."Ko iye acharara kupi?
Her..."Muspare iyi irimunext meino. Akati ave kuda
kurara munadaddy vako saka vanorara umu vese"
Me... Ko babamukuru havacharare mukaroom kavo
here muya?"
Her.."Vakatamiswa kare muya naIshe hanzi kure
nekutoilet vanotambura saka vave kurara vese umu"
Me..."Okay. Handigone hangu kutenda"
Her.."One more thing Ropa, hapana bamukuru pano.
Baba vako vakashaya vanguwo vakashaya. Hatina
wekuti baba asi ava ndovatinavo nhaika! Saka ndibaba
kwatiri tese. Mhamha wave navo mai Shumba
ndimhamha vedu tose. I am sorry for the loss of both
your parents but wave nesu manje. Seni hangu mupfana
ndomuda zvekuti ndaitomushaya. Welcome Ropa "

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 246 -
Me... "Waita basa Lindi"
Her.. "Good, hande tinodya ndigokuratidza
mubathingroom ukageza unoita fresh kuneta
kunopera"
Ndakabatwa ruoko naLindi achisekerera takananga
kudining. Handina kumbowana rudo rwakadai kubva
kunaani zvake kubva zvakashaya vabereki vangu.
Baba vaifara chose nekuva kwangu pamba apa asi
munhu wese aingozosuwa nemavanga andaive nawo
mumaoko. Handina kumbofungira kuti mai Shumba
vakabisa baba muchikitchen vakavaisa mumainhouse.
Ndakanzwa kuva protected, kuva safe, kunge ndave ne
a second family muupenyu hwangu. Lindi munhu uya
anoratidza kuti kana kuchikoro ipfuti chaiyo apa ainzi
aripagape year anodzidza kuUZ. Yhoo mai Shumba
vane shungu munhu wechirikadzi anoshinga kuendesa
mwana kuUniversity?
Mangwana acho mai Shumba vakati vaisaenda
kuBoterekwa kureva kuti naLindi taizopedza zuva
rese tiripamba hedu.. Ndakazvifarira hangu
ndichimbooneswa zvandisingazive naLindi. Mumba
mamai Shumba mune furniture yechirungu zvimwe
zvakaita sezitv ravo handitogone kuribatidza kana
kuchinja channel isu kuEmpress taive neyegotsi
yaisanetsa. Microwave ndanga ndisingatoizive
nezvimwe zvirimukitchen mavo ndakaswera
ndichidzidziswa naLindi. Masikati akanobvanganyura
muroom make achinditsvakira hembe. Maiwee zvangu
ini ndakajaira kupfeka maskirt nemadress chero zviri
zvimini asi apa ndakapiwa dutu rematrouse ave
madiki kunaLindi, maskirt kuda akangoita 4 chete..
Ndakatenda chose ko zvaida ndidii iye munhu andipa
nerudo rwake rwese..
Ndakaita mazuva anenge mana ndiripo pamba pamai
Shumba ndichinzwa kufara nemufaro wave kugara
unabamukuru asi mumoyo mangu maimbobatikana
ndikangofunga kadombo kangu. Ndaingoona kunge
ndakakasiya mumba mamai Jane. Kusaona Chido

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 247 -
ndaitonzwa kunge ndakamudumper chaiko. Apa
haatozivi kuti ndakaenda namai Shumba angadai
achitovabvunza nezvangu. Ukuwo Lindi akanditi kana
ndatanga musika ndisambotsika kuBoterekwa hanzi
hakusi right uchiri mudiki. Hameno kuti ndichaitasei
kuti ndione Chido..
Zuva rechi5 ndasvika pamai Shumba, ndaiwacha
nhumbi dzandakabva nadzo kumba nekuti dzimwe
dzacho ndakarongedza dzakasviba. Ndakazunza
kasetchel ivhu rekuBoterekwa kuti ndikanyikewo
mumvura. Ndakashamisika muchidonha 100us
muhomwe. Ndakambotenderera ndichitya kana
kuibata ndichishaya kuti ndiani akandiisira mari iyi ?
Setchel yangu kubva zvandakatanga kugara kwamai
Jane handina kumboishandisa ndakangobva nayo
ndakarongedzera nhumbi patakauya kurufu
rwanamhamha namai vaBle. Imwe pfungwa
yakamhanyira kunamhamha kuti ndivo vakanga
vakaviga mari yavo musetchel mangu.
Pandakangogaya izvozvo ndakainhonga nemufaro
ndikaikisser ndichibva ndaiisa pane imwe mari
yandakabva nayo kuBoterekwa..
Takazoenda naLindi tikanogadzira kumusika kwangu.
Lindi mwana akakura achiita zvemusika namai vake
zvekuti zvekutengesa izvi akangwarira mari kwete
zvekutamba. Ndiye anotomira nemusika wamai vake
kana varikuBoterekwa.Takacleaner tikapagadzira
zvakanaka ndangomirira kuti kuswera mangwana
asvike tigoenda kunohodha zvunhu zvangu kuGweru
namhamha mai Shumba..
Pamba hatina zuva rekusuwa... Tose togara takafara
and ndaakutodzidzawo kunamata ko
ndakambonamatepi mai nababa Ropa vaigara
varibusy nemari kana kuchurch taisaenda. Ikozvino
kuno tave kuenda kuchurch. Ukaona bamukuru
vakachena nesuit vachienda kuchurch unombobuda
musodzi kuti ndobaba vaya vaishungurudzwa namai
Jane here ava? Mhamha mai Shumba hembe dzababa
vanozviwachira vega hatiwache nekuayina ndivo
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 248 -
vanoita hanzi isu hatichenese. Ukaona chero breakfast
yavanomuka vachigadzirirwa namai Shumba mbume
vopiwa vachiri mumagumbeze vasati vageza wega
unozorora. Mai Janet vakazvitadza izvi!
Zuva ratakamuka tichida kuenda kuGweru namai
Shumba ndakaona baba Sheri vosvika tichangopedza
kugeza. Ndakabva ndarangarira paya vachiti vane
nyaya yavanoda kuzokurukura nabamukuru.Ukuwo
mhamha mai Shumba vaitoraira Lindi zvekusara
achibikira vanhu breakfast kuratidza kuti
taitoenderera mberi nerwendo ndotadza kunzwa
nyaya yababa Sheri pamwe ndodaro ndine munin'ina
kaa kuKadoma kwacho..

End of chapter 26

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 249 -

CHAPTER 27

MUGANHU

Kubva gore randakazovakirawo kuno kuUnki


ndichitevera sekuru kumapurazi kuno handina kunge
ndambove nemufaro sewandinawo ikozvino. Sekuru
vashungurudzika kwemakore akawanda asi chekuita
pakati pevanhu vaviri vakadanana ndochaunobva
washaya. Mainini Ropa vakaita zvivindi zvakashaikwa
nesu vanhu vakuru. Mbuya vanga varasa muswe ,
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 250 -
kunyanya pavanga voda kuendesa sekuru kuJairos Jiri.
Munozviita seiko vanamai kuti kana umwe wako
aremara asingachagone kuunza mari mumba
munobva mamubata neseri kweruoko zvakadaro?..
Ndakafara mhani ndichinzwa mai Sheri achiti sekuru
rangove jaya. Kunevamwe vanhu vakapiwa moyo
mhani pasi pano.. Ndakabva ndanzwawo shungu
dzekunovaonawo mai varikuchengeta sekuru vangu
zvakanaka kudaro despite hurovha neubofu hwavo.
Ndakamuka mangwanani ndokumukawo ndikageza
chose kuzvipongonora ndakanzwa mai Sheri vachiti
mumba mamai Shumba muri smart kana ivo nevana
vavo vari smart. Ndaisada kunonyadzisawo sekuru
vangu chero vasingaone havo..
Ndakasvika muShurugwi kuchiri kuseni ndichibva
ndananga kuMakusha haaa inzvimbo dzedu dziya
dzatakakurira Shurugwi ndoizivisa
ndakatombodzidza paRailway Block primary..
Ndakawana mainini Ropa namai Shumba vakatochena
chena vachiratidza kuti vaive parwendo...
Zvakandifadza nekuti nyaya yandaida kukurukura
nasekuru ndaingoda kuti tive vaviri. Haaaa
varumekaaa, kwainge kuchiri kuseni zvako asi sekuru
ndakatowana vachipedzisa kumwa tea yavo apa
vaipenya kunyangwe uso chaihwo kuratidza kuti
munhu ave kudya achiguta.. Matambirirwo andakaita
namai Shumba ndiwo chaiwo andainge ndataurirwa
namai Sheri. Ndakafara mhani. Zvitori nani kuzoonera
hama pamutorwa asi igere zvakanaka pane zvaiitika
kumusha zviya. Chokwadi sekuru vaingozoguma vafa
nekuti seni hangu panambuya ndinombobatwa
nekutya. Munhu asingazezi kana kukandirà munhu
muchetura chaiwo, ndawitnesser rutatu mabasa avo
kusanganisira pamwana wavo..Maminitsi matatu
andakapinda mumba mamai Shumba ndakatoona
mufaro panamainini Ropa. Kana kupfeka chaiko
unotoona kuti mwana ave kugara nevanhu vane rudo
uye vanecare. Ndakayemura hangu kunyanya vana
vamai Shumba. Kana arimukomana uyu anenge
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 251 -
akagara panasekuru achiona kuti avatambidza chese
chavanoda. Ndakambobuda misodzi murume mukuru
ndikati dai Mwari azoropafadza mhuri iyi shuviro
dzavo dzese dzazadzikiswa.. Ini ndainge ndakaudzwa
kuti sekuru vanorenterwa muneimwe room diki
irikunze namainini Ropa asi ndakashamisika kuwana
vachimwira tea yavo mumagumbeze mumainhouse
pazimubhedha rakanga rakashongedzwa kunge
raminister, regai mai Shelly akati mai Jane vakasvika
pamusha paya vanofa chaiko..
Takasara hedu ndokubuda tonogara panze nasekuru
pamushana kuti timbokurukura hedu vanamai
Shumba namainini Ropa vainge vatobuda vanohodha
zvunhu zvavo zvemusika..
"Haa muzukuru wamuka fani, kusvika kuno ndisati
ndatomuka kudai?"
Me... "Aizve rakwira zuva sekuru, kungoti imi mave
kurara chirungu ka kuno kutawundi"
Him.. "Muzukuru, zvaunoona Mwari vanorangarira
kana mapofu chaiwo. Ndiri munhu ndingadai
ndichirara pasi pemuti asi Ishe vakaramba kuti
nditsve nezuva ndichinaiwa nemvura.
Zvaunondiona ndiripano mwana wehanzvadzi
yangu handina kana shoko rekutenda naro Musiki
nechipo chikuru chaamai vakanditora vakandiisa
mumusha mavo ava.. Ndino.rwa..dziwa...
muzukuru, mai Jane moyo wavanawo vakau....
Me.."Chiregai kuchema Shumba, inyasha idzi dzandisati
ndakamboona ini nemeso angu kusvika pano. Kana
zvadai nesu tinorara hope dzichiuya. Hativaregereri
mai Shumba ava vachikuchengetai vega tichapota
tichivabatsira apo neapo. Zvoda kutendwa izvi sekuru,
pane vana pano musapota muchiwisa misodzi
ingodzorerai mbiri kuMusiki"
Him... "Kuchema ishungu muzukuru. Ndingave bofu
hangu asi njere ndinadzo dzakakwana. Chakanaka
ndinochiona kuti chakanaka ichi. Mai ava ndaida

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 252 -
chose kuti Mwari avaropafadze nechitoro chaicho
vasaita zvekufamba kunosvika Boterekwa uku
vachitengesa matomatisi"
Me.. "Mashoko enyu munamato mukuru sekuru. Zvese
zvamunoshuwira Mwari vachazadzikisa. Kana
kutozowanawo murume anovachengeta anovapa zvose
zvavanodawo muupenyu, Mwari vanozviita"
Him... "Haaaa ipapo muzukuru hatingazvinamatiri,
hameno kana Mwari azovapa umwe mukana
zvakare wekupinda murudo asi haa ndoona sekuti
vakanaka vari zvavari izvi"
Ndakambobatwa nesetswa asi ndaiona kuti sekuru
vangu vari emotional panguva iyi. Marambiro avo
ekuti mai ava vawane umwe murume semunhu
wechirikadzi akandipa mibvunzo mizhinji mumusoro
mangu. Anyway ndakangozviisa parutivi ndikati
sekuru ndevangu tichakurukura hedu.. Chandaifarira
mufaro waimboonekera kumeso kwavo pese
pataitaura zvamai Shumba. Ndakazonzwa voti, ,
"Ko iwe muzukuru ndazokuwanzira nyaya ka,
ndipire nyaya yako yakanzi naMamoyo une nyaya
huru"
Me..."Hoo ehee sekuru, inga mai Sheri kana akuonai
haana chaanosiya. Nyaya yangu yakamira seizvi sekuru
,"
Him... "Tsanangura zvako muzukuru nzeve dzese
ndakupa, chero ikava yekuda kugara mai Denis
nhaka ndichafamba kudai ndokupa go ahead
izvozvi taura muzukuru usatya"
Me..."Yuwii zvangu maitaseiko sekuru, ndingamugona
Nyamavhuvhu uya, ko iye Mamoyo agondisiya here?"
Takamboseka hedu ndichibva ndazotumbura nyaya
yangu..
Sekuru paya pamakatituma kuZhombe
kunorongedza nhumbi dzanasekuru pane
zvandakanowana mumbatya dzavo asi ndakange

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 253 -
ndarumwa nzeve namai Ble kuti ndizvitsvake
zvizobatsira mainini Ropa mangwana.. Sekuru
nambuya vane imba yavanga vachivaka kuKadoma
sekuru. Kutaura kwamai Ble vanoti yanga
ichangopfuura pawindow level asi mainini
semwanana ndofunga havana chavanga vachiziva.
Mai Ble vaya shamwari yambuya mai Ropa ndivo
vakandiruma nzeve vakati mapepa aneumbowo
hweimba iyoyo arimo ndimatsvake ndimawane,
ndakamawanawo zveshuwa
Him... "Saka arikupi mapepa acho uye kwapfuura
mwedzi mipfumbamwe vanaPedzi nemudzimai wake
vashaya wanga uchifunga kuzodii?"
Me... "Mubvunzo wenyu ndaufarira hauna kuipa
sekuru. Mozivaka kuti paya ndakaenda nemakava
mukoma wenyu sekuru Jafta nambuya mai Deni,
vanhu vanongozvifungira ivo pachavo vasina kana
basa neremangwana remwana. Dai vakamaona
vakaziva kuti kunestand yakatovakwa imba
vaitomhanya kunotengesa stand nemudhuri wacho
zvese saka....."
Him.. "Chirega hako kutsanangura muzukuru point
yako ipapo ndatoibata asi ungadai wakandiruma
nzeve"
Me..."Kukurumai nzeve ndaida sekuru asi mamiriro
ainge akaita zvunhu nambuya paya
ndoaindivhiringa asi ndaiziva kuti mainini
vachakura uye mukana wekugara nemi pasi
uchawanikwa. Ndakabata nhaka imwechete sekuru
yamainini Ropafadzo pazvunhu zvese
zvakashandirwa nevabereki vavo. Tototenda kuti
zvambuya mai Ropa vakazokumba sisi vavo zvisati
zvatengeswa "
Him.."Umm Muganhu muzukuru handizivi kuti
ndotenda here kana kuti ndombokumbira Pedzi
nomudzimai wake ruregerero. Ndakavatuka vanhu
vaya kuti vakatadzawo kuvaka musha chero
muruzevha zvamo mwana akawanawo chekusara
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 254 -
nacho! Anokura chete Ropafadzo mwana wangu, ane
shungu anoipedzisa imba iyoyo tofanira kuzomuudza
tiripamwe achiziva hake kuti kune chivakwa
chevabereki vake chichazoda kupedziswa mukufamba
kwemakore "
Me.. "Haaa zvakanaka sekuru tinovataurira zvedu
uye mapepa acho andakawana ese ndauya nawo.
Panongodiwa kuti vagare vane madeath
certificates evabereki vavo chete hazvinetsi izvi"
Him.. "Urimurume Muganhu, iwe ndiwe unotoona
uchazoenda namainini vako vonoona kuti kwakamira
sei Kadoma ko?"
Takabva tadanwa nemwanasikana wamai Shumba
kuti tizomwa tea mumba tichibva tapinda hedu
ndokuwana patafura pachiita kunge tafura
yemuhotera. Mashongedzerwo acho ndoanotanga
kukugutsa usati wasvika kuzvidyiwa. Sekuru
vasingaone vanosaririra chokwadi. Vakadzi vemukore
uno havajaidzi kutenga beacon nemazai
zvekugadzirira murume asingashandi, kuzoti bofu
risiri murume wako
Akanga abata zvake spoon mwanasikana wamai
Shumba apa vese nekahanzvadzi kake vaibatsirana
kusetter tafura. Takagara tese ndokukomba tafura
ndikanzwa sekuru voti "ngatikotamisei uso
tikumikidze tafura iyi kuMusiki"
Hana yangu yakarova. Chokwadi vamwe
vakatsunzunya asi ini ndakanga ndakatarisa sekuru
kumeso vachinamata. Handisati ndambovanzwa kana
kuvaona vachinamata. Ndakaita weak ndikangoti
nechemumoyo
"ndotonochinjawo mutemo kumba hapana achadya
asina kunamata"
Takadya hedu breakfast yedu yakanga yakagadzirwa
zvakaisvonaka ndokuzogara tomirira kudzoka
kwamainini Ropa namai Shumba...

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 255 -

NARRATION
Ropa akazogarwa naye pasi nababa vake naMuganhu
vakamuzivisa nyaya yainge yauya naMuganhu asi
pakutanga Ropa zvakamudya moyo kuti aizoipedzisa
neyi imba yacho asi mai Shumba vakamutaurira kuti
zvaizomutorera makore asi chakakosha ndechekuti
basa guru ndiro rakaitwa navabereki vake kutenga
stand nekuvamba imba. Vakamutaurira kuti
aifanirawo kunosvika onoona chimiro chekustand
kwacho vabereki vake vangafara chose kana
akanotsika netsoka dzake kustand yacho.
Upenyu hwaRopa hwakatanga kuchinja zvishoma
nezvishoma kubva paakatanga zvemusika,
kuBoterekwa akambomira kuendako kwekanguva
achingotengesera muShurugwi. Basa rake rakamboti
netsei achangotanga asi ikozvino rapicker vanhu vave
kumuziva. Moyo wake wakazoramba worwadzira
Chido kuti aisaziva kwaari uye iyewo haachaziva kuti
arikurarama sei Chido kumba namai vake naJane.
Rimwe zuva akakumbira mai Shumba kuti aida
kurongedzawo zvunhu zvake aendewo navo
kuBoterekwa. Mai Shumba nekuvimba naRopa
paunhu vakamubvumidza nekuti chero panguva
yaaishanda kuBoterekwa havana kumboona
achizviwisira mumakorokoza.
Ropa akasvika kuBoterekwa haana kumboita
maminitsi anosvika gumi achine zvunhu zvaaitengesa,
vanhu vakatengera mufaro wekuti Ropa ainge asiya
zvekushanda kuchera mvura ave kuita zvekutengesa.
Chido akafara kuona Ropa zvekuti nyaya dzakatotadza
kupera dzese dzaaida kuudza Ropa nekuti dzainge
dzakawandisa. Chakarwadza Ropa inyaya yekuti Jane
ave kushinyidzira hembe dzaRopa nenhumbu yake

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 256 -
iyoyo. Chido akavimbisa Ropa kuti
aizonomurongedzera hembe dzake dzese omuvigira
zuva ravakavimbisana kuti vaizosangana zvakare
muBoterekwa. Ropa akazoudzawo Chido kuti aigara
kwamai Shumba uye ndiko kunababa vake.Akafara
Chido kuziva kuti baba vake havasi musango uye
akanotendawo kunamai Shumba akavimbisa Ropa
kuti haana waaizonoudza kumba.
Tinashe paakaona Ropa haana kuzogarisika nekuona
kuchinja kwaaita mumazuva mashoma maasiya
zveBoterekwa izvi. Akaona vakomana vekutawundi
vamusiya pachena vamutorera Ropa wake..
Aingoteverera Ropa achida kuti awanewo mhinduro
yenyaya yaakambotaura zuva riye. Ropa aisada kuti
mai Shumba vaone achitevererwa naTinashe saka
akabva angoti kunaTinashe horaiti ndakuda asi iwe
unenge urimuno muBoterekwa ini ndiri kuShurugwi
pataonana ndipapo.. Tinashe haana kuita basa
nezvakawanda akangobata shoko rekuti adiwa chete
naRopa zvimwe aizozvionera kumberi. Akafara chose
zvekuti ainge otononokerwa nekuenda kumba
kunamai vake kunovataurira
Jane haana kuchinja unhu hwake hwekuvenga mai
vake. Pamusha vanongoswera vari vaviri Chido
arikubasa asi vanoswera vachingotukana. Mai Jane
kubva zuva rapiwa Jane mari naGari nanhasi uno moyo
wavo unotumburwa vakafunga kuti pa50 us yakapiwa
Jane ivo havana chavakaona Jane anongotenga
tunonaka achiviga muroom maanorara odya usiku !
Kumunda mazuvano havachasweriko vanoswera
pamba pavo vakamirira Gari kuti kuda achadzoka
neimwe mari varipo..
Kubvawo Gari zvaakadzingwa namai vaJane ikozvino
mari anongochengeta, iye aizviudza kuti anozopa Jane
kana yawanda asi mukumbopota achitaura naChido
akaudzwa kuti anofanira kutenga preperation
ongozopa Jane dziri nhumbi dzemwana kana kuenda
vese kutaundi vonotenga. Hapana anoziva kuti sei
Chido akaramba kuti Jane apiwe iri mari
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 257 -
Kumba kwamai Sheri kunemufaro unoonekwa
nedunhu rese kana mai Jane vanozviziva kuti zvunhu
zvirikufamba mushe kumba kwevazukuru vavo asi
kuti vasvike kunobvunza kuti baba Denis varipi
vanotonzwa kutya mai Sheri. Muganhu nemukadzi
wake kuShurugwi vave kuendako pasvondo pasvondo
vanotoonekwa vakatakura mikwende vachienda
kuzvimota. Izvi zvakambopawo mai Jane pfungwa
yekuti rimwe zuva kana zvaramba zvakadai vaifanira
kuzotevera anenge achienda Shurugwi vanoona
paanopinda. Asi obvious havadi havo kuteverera mai
Sheri..
Chido kubva zvaaona Ropa kuBoterekwa otoita kunge
akaona Mwari vakamuudza kuti ndichauya ndokutora
zuva rakati. Kumba kwavo haachina basa nemunhu.
Anogara anemufaro wake ega. Mashoko anoita
ekungurutsa kunge n'anga yasabhuku. Hapana
chaanobvunzwa namai vake kana naJane chaasina
mhinduro yacho.. Izvi zvirikurwadza mai Jane nekuti
Chido mwana akakura achivateerera vanotoshaya kuti
Ropa akazviita sei kupandutsa mwana wavo..
Sekuvimbisa kwaakaita Chido akazorongedza nhumbi
dzaRopafadzo dzose. Akadziisa mubag ndokurara
akariviga kuti vanhu vasazoona achibuda naro kuseni.
Akafungawo kurwadzisa mai vake nekuvatorera
chaakambovapa achibva atora.......

End of chapter 27

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 258 -

CHAPTER 28

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 259 -
Three weeks later

MAI MARUFU
Ini handidohwisisi hangu zviri mumoyo mangu.. Baba
Jane takapedzisira kuva mukadzi nemurume Chido
arimucheche, mamwe makore ese tanga tongorarama
kunge hanzvadzi nehanzvadzi uye seni hangu rudo
navo rwainge rwapwa chaiko kunge chitsime
chemugwenga. Pandaida kuti vaende kunogara amwe
mapofu kuJairos Jiri uku hana yangu yainge yakafara
yakapombonoka kuti vabve pamusha ndisare ndive
mubereki ndega kuvana vangu kunyanya paya ndainge
ndatarisana nekudya marooro aJane ayo andisina kana
kuzomboona. Vanamai, kutaura chokwadi mazuvano
ndorara hope mbishi ndichifunga baba Janet..
Ndofunga kuvafunga kwandoita mazuvano
ndakazorota svondo rapera iri vachiita kunge vaive
pagungano rinenge resvondo asi aikandirwa mari
mundiro, mari yainge yakawanda zvayo iyoyo idzodzi
dzekuAmerica idzi.. Ndakamuka ndichiteuka ziya
muviri wose kuti tewu tewu ndikati pamwe
ndirikutambura nenhamo pano pamwe ichokwadi
baba Jane varikubata mazimari kwavari ikoko.
Kwandichaudzwa naniko hezvoo Ropa akatiza
akaendawo ikoko. Dzaive shungu hangu ndingadai
ndisina kumurova, Ropafadzo oga ndiye aigona
kudzosa baba Denis pano nekuti havaizombogara
nguva yakareba kudai varimusango vasingazivi kuti
Ropa arisei?
Muganhu nemhuri yake vanofara zvomene mazuva
ano ende zvunhu kumba kwavo zvirikuvafambira
zvakanaka fani. Ndoshaya kuti ndingatuma ani
anoferefeta kuti sekuru vavo varipi? Kave kaviri
ndichiona mai kana baba Sheri vakatakura mukwende
vachienda pazvimota zveShurugwi. Kureva kuti ndiko

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 260 -
kunemurume wangu kwavanoenda ikoko. Ndikawana
mari ndichagara ndakataimira rimwe zuva
ndoteverera Muganhu kunosvika kwaanenge
achienda, uyo arinani chero zvikaitika nemistake kuti
andione haana hake zvaanoita asi rukadzi rwake
rwunogona kungondibvondora pavanhu, zvemboni
dzevanhu anozvidawozve mai Sheri..
Zviripamba pangu zvinokunda ngoma kurira veduwee,
ini kubva ndichiroorwa naAbel changu kushamira
chikafu senyana reshiri. Kumitiswa kwaJane
kwandiparira zvamunoona. Mumba ndinoshaya kana
munyu chaiwo unovava wekurunga muboora. Ini
zvekufamba ndichitengesa handizvigone hangu.Jane
haana kana chaachagona ave kungodawo kudya agere.
Chido wacho anesimba rekushanda kuti ave
kushandira ngozi unobva wazvishaya. Haana kana
cent rake rinouya pamba ikozvino. Ndakambotanga
ndichabvunza bva ikozvino ndaneta apa mhinduro
dzacho unobva wangooma mate mukanwa kuti
papata. Kuda ndiye Ropafadzo akasiya amudzidzisa
kuti atinyime mari hameno.
Dhayimondi rangu handina kuda kupesvuka
ndichibuda naro mumba kunoritengesera vanhu
vandisingazive. Ndoziva hangu imari yakawanda fani
yandakasiirwa naDenis iyoyo asi mari dzemangoda
idzi dzinourayisa ndogona kupondwa kana vanhu
vakaona ndinawo seizvi saka zvakanaka chose kuita
moyo murefu ndomirira kuti zvunhu zvigadzikane
naMuganhu ozondibatsira...
Ndakangorirega ririmo muhandbag marainge
rakapfenyekwa mukahomwe kemukati kakavanda
ndokukanda handbag yacho muwardrobe pakona.
Mazuvano ndini musikana webasa kuchera mvura,
kusuka, kubika zvose, madam Jane vanenge vakagara
havo mazuvano vakati vanozvidyira tunonaka
vakasiirwa mazimari neiye mukorokoza
wekumumitisa.. Tongodarovo ko zvinozikamwa kuti
akamumitisa chaiye ndeupi here apa iyeyu omupa

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 261 -
mari uyu aitoramba kuti nhumbu haisi yake.
Ndakarwadziwa chose nemaitiro aJane. Ikozvino ini
ndorara ndakasunga ura nenzara iye anorara achidya
hameno zvinenge zvichingoti shwaa shwaa usiku
mumba maanorara imomo. Ukuwo Chido ukamuona
akamira pamugomo wemvura kana abva kubasa
anoita kunge achagundurutsa mugomo wese wemvura
achimwà kuratidza kuti akaguta zvake apa pamuromo
mazuvano kuita panze chaipo. Unobva wazvishaya
kuti Mwari varikundipanicha here ini!
Ndaive pachibhorani rimwe zuva zuva rodoka.
Ndakaona mai Gire vachizunza mazamu vachitenuka
kusvika pachibhorani ndikamboda kubvapo ndisina
mvura ndidzokere kumba. Vakasvikogara pamugomo
wavo parutivi pangu vachibva vati , ,
."Inga Mwari vakanaka makaita mukarova Ropa
mukamudzinga pamba ndakanzwa zve kuti kwaari
aiwa agere zvake mwana waPedzi hanzi anopenya
kunge shana chaiyo nekusimba"
Me.. "Handidi zvepamuromo newe mai Gire, saka
haugoni kugara usingataure nyaya dzekumba
kwangu?"
Her.. "Aiwa dzekumba kwenyu kupi tibvirei zvedu.
Idzi ndedzeBoterekwa kunotengesera Ropa hadzisi
dzekumba kwenyu. Tofanira kuita musangano raini
rino rose tounganidza mari tombonosapota
bhizimusi raRopafadzo kuBoterekwa uku, nemiwo
munotobisawo mari"
Me.."Bhizimusi reyi?"
Her..."Hezvoo hamuzivisu? Anotengesa zvakasiyana
siyana Ropa kumakorokoza uku asi kwanzi haauyi
zvake mazuva ose. Haaa kwanzi atove
muzvinabhizimusi mukamuona munomuramba
imi!!!!. Ini ndongotenda hangu kuti paya
ndakakutsiurai makabata zijamhu riya kuti siyanai
nekuponda nherera iyi hezvoo oooh!, ndokukava
datya ka uku hero rave mhiri!"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 262 -
Ndakatadza kana kuramba ndichipindurana namai
Gire nekuti ndainge ndochururuka dikita nemukati
kati. Kureva kuti Ropa anouya muBoterekwa mazuva
ose asi Chido haandiudzi? Chii chimwe zvakare chaari
kuvanza ? Ndakasara ndobva pachibhorani ndatove
mumood. Moyo wangu ndainzwa kuda kuponda
mwana anonzi Chido ataure kuti zvirikufamba sei!
Pandakasvika kumba ndakawana Jane agere
pamusiwo mumba musina kana kuveswa moto apa
kwainge kwatosviba.
"Nhaiwe Jane saka nekuvesa moto hauchatogone?"
Her.. "Aaaah heya muchiri kugona kutaura ? Ndaiti
hamuchataure ka ini. Ko zuva riya randaikuudzai
kuti mumba hamuchina kana hembe yaRopa
makandinyarira wani!"
Me.. "Hee watii hamuna...."
Jane...."Kana imwechete chero yakadambuka zvayo.
Hameno kuti akazodzitora riini uye akaendepi?"
Me.."Ko iwe waitadza kuzviona sei handiti ndiwe
waimbodzipfeka?"
"
Jane.. "Kubva zvandatengerwa teneti iri naGari
handina kumbozodzipfeka ini ndosaka ndisina
kuzviona nekukasira kuti hadzimo"
Me.. "NdiChidochashe"
.
Jane..."Adii?"
Me.."Ndiye akadziendesa kunaRopa ndanzwa kuti
arikuita zvekutengesa kuBoterekwa iye Ropa"
Jane.. "Aaaaah kutengesa? Akazviita sei? Mamai
eShurugwi aya haadi vanhu vanongotengesa
tengesa muBoterekwa vanotya kutorerwa
makasitoma avo anoroiwa akafa Ropa regai
zvakadaro"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 263 -
Me.. "Ndoda kuendako kunomutora azotengesa achibva
pano pamba..Rega ndigotanga ndasvina chokwadi
kunaChido ndiye anoziva"
Jane..." Mochisvina nemaoko? Mukamurova anotiza
oenda kunaRopa. Pamwe Ropa arikugara
kunababa futi"
Me... "Wapedza Jane. Ndakarota baba vako vachipiwa
mari dzakawanda nevanhu kureva kuti imwe yacho
ndoyavakapa Ropa kuti atange bhizimusi.."
Takazokanganiswa kutaura nyaya dzedu nezwi
raMuganhu rakadeedzera kuti "tisvikewo" panze..
Ndakaita kuuruka kurikufarira kuti Muganhu nhasi
asvikawo pamba pangu. Ndakamutambira zvakanaka
chose ndikati auya kuzondiudza kuti sekuru vake
varipi?
Him.. "Makadii mbuya, mainini Jane murisei?"
Me... "Ndofara muzukuru wangu, wagonazve
watishanyira nhasi"
Him..."Handisi kugara mbuya. Ndaikumbirawoka
madeath certificates ambuya nasekuru baba Ropa"
Me..."Huh unoadii? Ndeako? Unoda kunopa ani?"
Him.. "Ndoda kunonyoresa kurikunyorwa nherera uko
ndoda kunonyoresa mainini Ropa asi kunodiwa
madeath certificates evabereki vavo seproof kuti
mwana inherera. Pane mari dzavanozopiwa saka
yamainini Ropafadzo ndimi munotoitora sezvo vasipo"
Ndakati kwanyanu ndokunotora emvuropu ine
madeath acho ndikauya ndopa Muganhu kuti
anonyoresa. Ndakanzwa moyo wangu kuti nyawu
nyawu aaah dzimwe nherera dziri kutambira chikafu
nemari ndakatoona kuti tapinda chaiko, zvekuti Ropa
akatora nhumbi dzake akaendepi ndichinei nazvo!
Akatenda Muganhu achibva asimuka. Ndakatozofunga
nyaya yedhayimondi kuti ndichimuratidza andibatsire

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 264 -
kuti ndoritengesera kupi ndichibva ndati ambomira
zvishoma ndinotora chibag..
Ndakapinda mumba ndokuvhura wardrobe
ndokupinza ruoko pakona wanei hapana chiripo.
Ndakadeedzera Jane kuti auye nelight ndichibva
ndavheneka ndikaona zvimapepa zvangu zvaive
muchibag zvakaiswa muwardrobe pakona asi
dhayimondi mainge musina. Ini dhayimondi ndakanga
ndakariisa muchihomwe chirimukati chakavandasoo.
Ndakati pasi nemabvi pfurugwada ndokuti rukutu
ndakadaro..
Muganhu ndakamunzwira kure achiti ,
"ndakamirirwa mbuya kumba uku ndichazodzoka
rimwe zuva regai ndimhanye"

MAI SHUMBA

Kubva zvashaya murume wangu baba Lindiwe makore


mana apfuura ndakaita chitsidzo chekuti
handichazoda zvakare umwe murume chero akauya
nendege ndeyake ngaagare nayo. Hama ndanga ndiri
muneimwe marriage yairwadza zvisingakwenyeke.
Mumaziso angu ndakapedzisira ndoona kunge varume
vakangofanana Zambezi to Limpopo. Kunge
vakaberekwa nemunhu mumwechete.. Hongu ndizvo
zvaive mupfungwa dzangu asi kwete kusvika
parizvino. Pane zvachinja pamafungiro andaiita..
Ropafadzo kubva zuva randatanga kumuona
kuBoterekwa ndakangonzwa kumufarira. Mwana
akazvirereka ane unhu. Ndaigarozvibvunza kuti sei
mwana mudiki akanaka kudai achiwanikwa
munzvimbo dzino munemakorokoza anenge nyoka

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 265 -
inoruma chaisingadye ? Unhu hwemakorokoza
ndohuziva ini ndave nemakore ndichivaona hangu..
Pandakanzwa nhoroondo yeupenyu hwake
ndakatombofunga hangu kuti dai vandipa havo
mwana uyu ndachengeta ndichimuendesa kuchikoro.
Muupenyu tikanamatira chinhu tinoda mhinduro
nguva iyoyo asi ini hangu ndakadzidza kuti kana
ndanamata ndinozvipa nguva yekumirira. Patience
ndinadzo mufunge.
Pandakazoona Ropa muShurugwi akanditaurira nyaya
yake yaisiririsa ndakangoti Mwari munamato wangu
wapindurwa.. Handina kuda kungotanga nekuti Ropa
huya ugare neni kwete ndaida kuti zvingozozviita
zvega. Handidi kuona munhu achitambura chero
pangave pamusika chaipo vamwe vanotondiseka kuti
zvamunongohodha mabanana ekupa mapenzi ese
anoswera achidarika pano. Masikirwo andakaita..
Chandisina kunge ndaziva panguva yese iyi
ndechekuti Ropafadzo uyu anabamukuru vake vane
upenyu hwavo hwakadaro. Zvinosiririsa kuona hama
asi chinozokusunungura moyo ushingi hunababa
vaRopa. Haasi munhu anonetsa nekuti haaone,
ukangovaratidza kamwe next time havanetsi munhu.
Ndoshaya kuti mudzimai wavo akasvorei pavari, chete
ndakamuona hangu zuva raakazonyadziswa
kuBoterekwa uku ndimai vasina havo kana nyadzi
kana karara kumeso. Kuva navaMarufu pamba pangu
kwachinja upenyu hwangu kunyanya hwemwana
wangu mukomana uyu. Haana kumbova nababa
kukura kwake kwese and kana anavaMarufu
unonyatsoona mufaro wake wese. Vanonzwana
vanowirirana.
Ini ndiri chirikadzi baba Lindi vakaita accident
negirlfriend yavo vakananga kumafuramhepo
kunaHunyani kupicnic. Zvakawanikwa mumota mavo
ndopaunoona kuti varume ava kaa!..Chete hazvina
kundishamisa nekuti ndiri munhu ndanga
ndangogarira vana vangu asi nababa Lindi ndainge
ndakarambwa kare gotwe redu asati azvarwa ndine
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 266 -
pamuviri pake.. Magirlfriends aiuyiwa nawo achirara
mubedroom mangu ndichivanzwa vachiimba
manhanga kutapira ndakaumburuka mudining.
Ndakarwadziswa ndikabvuma kurwadziwa. Kuva
nababa vaRopa mumba mangu kwave kundidzorera
kundangariro dzakare, ndaishuwira kuitira baba Lindi
madanha asi zvese zvaiperera mundangariro
nemuzviroto. Aisandipa mukana wekuti nditambewo
role yangu semudzimai wake.. Nhasi uno shungu
dzangu dzekuchengeta munhurume dzave kuperera
panaVamarufu mweya waMwari wakati tende zvawo..
Kugara makore akawanda ndisina murume dzimwe
nguva ndinombodedera kana vaMarufu vageza havo
vachena vanoita gentleman zvekuti panongozoshota
maziso bedzi akavatorerwa havo nadhiyabhurosi asi
unotoona kuti vakanaka vakadaro. Dzimwe nguva
ndinozoguma ndanamata kuti Mwari bvisai mweya
uyu weruchiva mandiri. Kuchurch vanhu vese
vakandirumbidza kuti ndakatora bofu ndikaripa
pekugara asi nhasi uno ndigozoonekwa ndorichiva?
Kana ivo vaMarufu vangatobva havo vakadzokera
kustreet kana vakaziva zviri mumusoro
mangu.Ndinozvinamatira misi yese kuti zvibude
mandiri..
Kufarira kwandinoita baba vaRopa kunowedzera rudo
rwangu kunaRopa.. Mwana uya ane ushingi nebright
future yaunonyatsoona kuti akashota hake
zvikwanisiro achiri mwanana asi ndingafare kana
akaita upenyu sehwaLindi. Lindi ndakashinga naye
kuti adzidze kusvika paari nhasi. Ndoda adzidze azove
neramangwana rake rakanaka. naRopa wo
ndinoshuvira kuti azozvimirirawo akwanisa kuwana
dzidzo yakakodzera. Ndichafamba naye step by step as
long ndisingamuvharire zvaanosuwira kuita
parizvino..
Ndakafara kunzwa kuti vabereki vake vakasiya
vatenga stand kuKadoma nyangwe zvazvo isina
kuvakwa zvakanyanya asi atleast mwana anowana
pekutangira. Shungu dzangu dziri pakuchinja upenyu

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 267 -
hwake akure achiziva kuti ane vanhu vanomuda vane
care naye uye kuti achiri mwana.. Ropa mudiki
kunaLindi and ndakatogara pasi naLindi ndikamuudza
kuti akavenga Ropa avenga ini. Vana vangu
ndakavadzidzisa and vakakura vachiziva nhamo asiwo
kwete kusvika zvaRopa aiwa havakwane havo.
Hama dzavaMarufu vazukuru vavo vanouya and
zvofadza nekuti chero vakaita dambudziko ndoziva
vekuudza, zvasiyana nekugara nemunhu
wausingazive hama dzake.

End of chapter 28

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 268 -

CHAPTER 29

ROPAFADZO

Svondo rino rinongova rangu remufaro soo..Chido


akandirongedzera nhumbi dzangu dzose
ndokundivigira kuBoterekwa. Ndakafara veduweee
nhumbi dzangu chero dzave tsaru asi ndidzo
dzandakatengerwawo nevabereki vangu ende
ndopandovaoenerawo nekuvarangarira.. Nhai zvenyu
Jane kudhambisa zvitop zvangu ndakamunzwira
hasha dzisingaite....Chakandishamisa ihandbag
yamaiguru yakauya yakaiswa munhumbi dzangu
naChido... Handbag iyi nemanakiro ayo
ndakatoshamisika kuti Chido anoda kundiurayisa here
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 269 -
namai vake.. Ndakaibvisa ndichibva ndaiisa
pakadombo kuti Chido azodzokera nayo kumuridzi
wayo...
Her.."Ropa, handbag iyi haisi yamhamha..
Ndeyangu yandakapiwa natete vekuMasvingo
yandanga ndakapa mhamha kuti vachenewo asi
ndaitora ndisarudza kupa iwe nekuti waakugara
kutawundi kana wageza hako Ropa wachena
wondirangarirawo nehandbag iyoyi"
Me."Asi maiguru wanga wakavapa ka kuti iite yavo"
Her.."Hazvina basa Ropa tora handbag iwe wapiwa
nemuridzi wayo, twunhu twazvo twanga
twurimukati ndabvisa ndikakanda muwardrobe
mavo"
Me..."Waita hako Chido"
Chido akandipawo mari $10 akati ndinopa baba
vatenge chavanoda.. Ndakamuvimbisa kuti
ndichazokumbira mhamha mai Shumba agozouya
ozoona
baba...
kuBoterekwa ndokudira kuti ndikaendako
ndinombonomhanya kuchikomo kuya ndichida
kungonoona pakaperera upenyu hwevabereki vangu
pamwe nekunotarisa kana pasati pave nekamwe
kadombo kakaita sekaya.Hakawanikwi kadombo,
hamenowo akanditsvatawo kaya.
Mai vaTina mazuvano vanondifarira zvandisati
ndamboona...Kana tasvika namhamha mai Shumba
vanouya pandiri kuzotenga, ndinovaona zvangu kuti
vanenge vachiitira kutaura neni.. Vari worried
nekugara kwangu kuShurugwi kuda vanofunga kuti
handina kugara zvakanaka, ndakavaudza kuti
vasadyika moyo ndigere zvakanakisa chose nababa
vangu ikoko..Ukuwo Tina haagarisiki kana ndiri
Boterekwa.. Mhamha vakapedzisira vazviona
ndikaona pasisina chekuvanza.. Ndakafara pavakati

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 270 -
Tina akagara arimwana kwaye ndakamuyemura
kubva kare ane hunhu hwakanaka asi
mungozvibata zvakanaka vanangu hatidi
kuzonyara
Kuzvibata ndozvese zviri mumusoro mangu handidi
kuzoita saJane.. Tina wacho tongotaura nyaya takagara
pandotengesera kuBoterekwa ini ndonyara kubva
zvatakadanana apa naiyewo anonyarawo tinenge
tichingotaura nyaya dzematomatisi nemakomba
emuBo terekwa..Dzimwe nguva ndopaanozondiudza
hake kuti anoda kuzondiroora.. Kuroorwa futi kuita
mukadzi wemunhu?, ndinobva ndashaya zvangu
pekupinda mwana waPedzi ini! Chokwadi chaicho
ndechekuti Tina ndinomufarira, kana ndigere
ndichitaura naye ndonzwa kufara asi handizozivi
hangu palove apa kuti zvozofamba sei , kuti ndofanira
kumuda ndichidii handizivi?
Tina anogara achida kundipa mari ndichiramba..
Mhamha vangu kubva ndichienda kuchikoro
vaindiudza kuti ndisatambira mari dzevanhu chero
masweets chaiwo.. Pese pandoramba Tina haaratidzi
kugumbuka anongondipa kamwe kafunny look soo
kanombondipusisa..
Kwamai Shumba kune mufaro wandisati ndamboona..
KuEmpress kwaive nevabereki vangu ndochaifadza
ikoko asi kwaive kusina Ishe naLindi. Vanhu ivava
ndikaswera zuva rese ndisina kuvaona handinzwi
kufara. Vane rudo vanogara vachifara havana zuva
remahara rekuswera vakakwindimara. Kana ari Lindi
ndiri kudzidza veduweee, kana achiverenga mabook
ake ndinopiwawo work yekuita ozomaka kana
apedza.. Pamabook haana kana funny nemunhu chero
Ishe unowana akatsikitsira zveserious pamabook..
Lindi anofarira kutaura chirungu, Ishe iform1 asi
chirungu chaanotaura pamwe ndopedzisira
ndongobwaira ini hangu chirungu ndochinzwa asi
kuzotaurawo zvinoita vanaLindi zviya ndonyara
kuhumana ndikasekwa zvangu asi manje manje
muchanzwa henyu ndochisvisvina.. Tina
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 271 -
anochisvisvina asi haana kusvikawo form 4 wani?
Chonakidza kana chichitaurwa nababa namhamha mai
Shumba. Hanzi nababa chavo ndechekumine
kwavaishanda ukuwo mhamha vachiti chavo
ndechekumusika, yoweee tinobaiwa hedu nekuseka.
Dzimwe nguva ukaona vachiita jee havo vari vaviri
unomboyeverwa wozoshaya kuti maiguru mai Jane
vanganzwa sei vakaona zvakadai?
Mufaro wangu hauna kugumira ipapo, baba Shelly
vakauya neimwe nyaya yandainge ndisina kutarisira.
Kugara kwese ndaingoti baba namai vangu havana
chavakandisiira.Pakutanga ndakamborwadziwa kuti
imba yacho ndoipedzisa nei ini ndiri musvuwuganda
dzvinyu risina gushe kudai ! Lindi namhamha vake
vakazogara neni pasi vakandionesa kuti hapana kana
chekushungurudzika nacho imba ndeyangu haina
kwainoenda ndozoiona chero ndave kuzvishandirawo
ndakura ndave kuita mari dzangu! Lindi akanditi,
You are smart Ropa, very soon imba iyi tinenge tave
kutotaura zvimwe..
Lindi anenge achingondifadza hake ndozvaanoita,
ndingaipedza nemari yemusika here?
Baba Shelly vakazouya nemadeaths certificate
anamhamha vakati taifanira kuenda nazvo Kadoma
tinogadzirisa kuti stand iyi iiswe muzita rangu.
Pavakatsanangura mapirwo avakaitwa madeaths aya
munhu wese akabuda musodzi nekuseka ndikanzwa
baba voti , wakagona muzukuru ndizvo zvinoitwa
munhu ajaira kudya akarara kuda zvakapfava
sehonye,
seni ndakafara hangu.. Takasimuka nababa Shelly
taifanira kuenda namhamha mai Shumba asi vaidiwa
kuChina kuchurch kwaiuya mai mufundisi. Vakati
tiende naLindi. Takasimuka kuseni ndokunanga
Kadoma tiri vatatu.. Munzira mese taifara kani baba
Shelly havana kujaira majokes aLindi saka vanenge
vachibaiwa havo nekuseka... Hatina kumborasika
takasvika tisina atambobvunza, Lindi akangoziva
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 272 -
location neadress anenge atopedza.. Ndakavhunduka
kuwana mai Ble vakagara padongo ipapo.
Pavakangotiti baa vakamhanya
vakasvikondimbundikira..
Zvamakura henyu vaMasivanda vangu, wakura Ropa
mwanangu inga Mwari vakanaka
Vakabva pandiri vopota neiyo imba ichiri pahalf apa
sora riripo ka! Ndakaziva kuti mai Ble
vainochema..Hameno vachine misodzi, yangu
yakapwa handichina plus ikozvino ndine zvakawanda
zvekufarira pane zvekuchemera. Ndakapatitswa
mupfungwa iyi naLindi akadeedzera arinechekuseri
achiti,
panapa Ropa ndipo paunoisa garage rokurawo
kusvika pakamuti kemunzwa ako kuitira kuti mota
yaAdvocate Lindiwe igowanawo pekuvanda zuva
nemvura kana vashanya
Mai Ble vakasekawo nyangwe vainge vakasuwa.
Ndaingotarisa baba Shelly neziso zvangu kuda kuona
kuti saka nguva yese iyi vaifonerana namai Ble
ndosaka tasangana navo pano? Takatenderera tikaona
pese zvapo mustand macho.. Haina kunyanya kukura
zvinoshamisira asi kana pakazoperawo imba iyi
pakanaka chose. Ndakanzwa kudada nevabereki
vangu kuti vakandigonera havo.. Moyo wangu
waingorwadzira kuti dai bamukuru vaiona vazoonawo
pastand patichazogara kana ndoshanda ndikapedzisa
imba iyi, eheeka moti tingachemberera kwamhamha
mai Shumba here kana ndakurawo ndaakugona
kumira nedzangu tsoka mbiri idzi.. Takaenda
tikanogadzirisa zvaida kugadziriswa asi takanzi
tozouya kana ini ndave nechitupa, kwasara gore
rimwe kuti ndiwanewo chitupa ndozokwanisa kuiswa
muzita restand iyi asi vakativimbisa kuti stand haina
kwainoyenda nekuti umbowo huripo hwekuti
yakabhadharwa in full...
Mama vaBle vakati ndaifanira kuzoshanya kuEmpress
kunoona vanaBle. Ndakangobvumira mudenga
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 273 -
ndinenge ndazoiwanepi hangu mari yekunosvika
Empress.. Takaparadzana navo mutown vachibva
vandioa $20.. Ndakabva ndatoudza Lindi ipapo ndikati
ndoda kutenga phone.. Kwamai Shumba ndini ndega
nababa vangu tisina maphone vamwe vese vanawo.
Umwe akabuda kana uchida kubatana naye zvinoita
nyore plus Tina ave nayo phone ndozopotawo
ndichitaura naye. Paphone parinani hapanyanye
kunyadzisa pane kutaura naye face to face.. Takasvika
kumba ndine mufaro wangu zvangu..
Wese wakazopedzwa pakasvika mhamha vachiti
maiguru vanga varikuBoterekwa kwavanga
vandivinga vachiti ndakaba diamond ravo mumba
pandakatiza pamba .. Nyaya yacho yakanga
isinganzwisisike, bamukuru vakashaya kuti mai Jane
diamond vakanga vazoriwanepi ! Nyaya yacho
takazongoisiira pakuti varikutsvaka nzira
dzekundikaurisa nadzo pakubva pamba kwandakaita
sezvo vasisawane mari yangu.. Mai Shumba vakanditi
ndimboita mazuva ndisingaite zvekuBoterekwa nekuti
vakati mai Jane vairovera gumbo pasi kuti
vakangondiwana chete vanondiuraya kana
kundisungisa. Hezvooo hangu.. Ndakatozvishaya ini..
Mazuva akafamba haana kumirira ini ndaitsvakwa
namai Jane. Kumusika zvaifaya zvichiwedzera pazuva
pazuva. Imwe mari ndaichengetesa mama mai Shumba
asi imwe ndaingovigawo muroom mangu mandorara.
Mari yandakabva nayo kuBoterekwa neyandakawana
musetchel mangu iya handina kuibudisa
ndakazvichengetera. Yese i$140 us.. Handisati ndaziva
kuti ndichazoitei nayo asi nguva yayo yekushanda
ichakwana. Mama mai Shumba havadi chero, kuti
nditenge wo muriwo mumba, vanongoti chengeta mari
yako ine basa guru.
Rimwe zuva ndakaona mhamha vobva kuBoterekwa
ndokunditambidza kapepa vakati vapiwa naTinashe.
Ndakavhunduka kuti nhasi Tina aita zvivindi zveyi
zvekutaura namhamha mai Shumba. Ndakapetenura
kapepa kaye ndikaona kakanyorwa phone number
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 274 -
dzake.. Lindi akanga akanditarisa achingosekerera..
Mukambudzi kangu mainge musina kana maphone
number akawanda maingove neyaLindi naIshe
neyamhamha ndovega vanhu vandaifonerana navo..
Ndakasaver number dzaTina ndichibva ndaisa phone
pasi ndokutanga kubika..Ndakanzwa mhamha voti ,
"akumbirisisa chose Tinashe kuti umufonere ndini
ndatomuudza kuti wakatenga phone. Anokuda
mukomana uya Ropafadzo"
Lindi..."Ndipe poto ndimone Ropa pamwe bamudiki
vane nyaya hombe yavanoda kutaura newe"

Ziso randakamupa Lindi kaa, ndakaziva hangu kuti


ndinotosekwa kana apedza kubika kwacho. Ini
ndaifunga kuti nezera rangu iri mama mai Shumba
vachandimbangura nembama vakaziva kuti ndine
mukomana, bedzi vanhu vemutawundi vanenge vasina
havo basa nazvo nekuti mukomana waLindi kana
iriweekend anombouya kuzomutora pagate nemota.
Ndakabva ndaita kubuda gedhe chaiko kuti nditaure
naTina , kekutangawo kutaura naye paphone..
Ndaisada kuita mistake yekunzwika nabamukuru
ndichitaura nemukomana havangazvidi uye ndingaita
kunge ndave kutora advantage yekuti havaoni..
Ndakatanga ndakosora kosora ndichigadzirisa voice
rangu kuti Tina asarinzwa kuti raibvunda kutaurawo
naye paphone uye kungoitawo voice repaphone soo
kongodiwawo.. Ndakabva ndabaya number dzake
ndichibva ndamirira iro voice rinenge remunhukadzi
riya..
Him..."📞Helloo"

Me.."📞Tina, ndiRopafadzo"
Him... "Woow! Ropa ndafara hako ndiwe uyu?"
Me.."📞Ehee ndini wakadii hako"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 275 -
Me.."📞Ndinofara. Ndakusuwa Ropa. Ko zvakafamba sei
nedhayimondi ramai vaJane. Wakaritora here Ropa?"
Me.."📞Iti ndakariba here sematauriro avo.
Mhinduro yangu inoti kwete Tina handina kubvira
ndaona dhayimondi mumba ini ko ivo dhayimondi
vakariwanepi munhu anongoswera pamba?."
Him.."📞Zvakandinetsa Ropa, Chido kubvawo pauya
mai vake kuno kuBoterekwa haana kuzombouya
kubasa ndiye wandaiti ndichamubvunzisisa"
Me... "📞Ini ndini ndakatoshaya dombo rangu
mumba Tina chero Chido anozviziva"
Him.."📞Dombo rei?"

Me.."📞Kadombo kangu kaipenya soo


kandakanhonga kuchikomo kuya kuside
rekugomba kwakashaikira vanamhamha "
Him..."📞Wainoitei kuya kunotyisa kudaro Ropa waive
naChido here?"
Me.."📞Ndega. Ndopandakanhonga kadombo
kaipenya soo ndikanokaisa muspare matairara
naChido ndikazongoona kasisimo "
Him... "📞 I know kuti haubi Ropa but next time usaenda
kumapiripiti kuya wega kune nyoka dzisingaite "
Me..."📞Ndakatoona imwe hombe!"

Him.. "📞 Ropa noo! Usadzokerako handiti!"

Him... "📞Okay Tina handidzokeri "

Him..."📞Good! Ndokumbirawo kuzokuona


kuShurugwi mangwana"
Me..📞"Aah mangwana ndoenda kumusika "

Him.."📞Eheee handidi kuuya kumba ndoda kuuya


pamusika ndopaziva hangu pamusika pamai
Shumba"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 276 -
Ndakatoona kuti hapatorina chekuramba apa chero
ndikati kwete anongouya Tina handiti pamusika
anopaziva anongokaruka asvika..
Me.."📞Okay unouya hako "

Him... 📞"Thanks baby"


Ndakanyongodeka ndakabata phone ndichishaya kuti
ndopinda pai, kunzi baby ndakabva ndatambura
nekunyara..
Takaonekana naTina paphone ndichibva
ndamboramba ndakamira pagate ndichigaya hangu
drama rakaitwa namai Jane kuBoterekwa..
Ndakamira kudaro ndakaona mhamha vachibuda
mumba nabamukuru vakavabata ruoko.
Ndozvavanoita kana vabva kumusika vanobuda
nabamukuru votenderera navo yard yose
vachitasanura makumbo semunhu anongoswera
akagara hake.. Ndakambomira ndikabata muromo
ndichiona vese vazobatana muchiuno vachitenderera
mugarden uku vachitaura nyaya vachiseka..
Ndakangoti nechemumoyo
"mai Jane, murume aenda mhai muchichemera
dhayimondi randisina kuba!"

End of chapter 29

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 277 -

CHAPTER 30

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 278 -
VAMARUFU

Kana Kudenga kuchinzi kune rumwe rugare


rwunodarika rwandakawana pamusha pamai Shumba
bva ndingade hangu kunodongorera bedzi ndodzoka,
kugarako zvachose handidi hangu nekuti kudenga
hapana anozondibata sejaya achindiyemedza
sezvandoitwa namai ava.. Dzimwe nguva ndomboti
ndakagara hangu pakachair kangu paveranda
ndirindega unowana ndichirovera kakumbo kangu
pasi ndichiimba nechemumoyo kanziyo
kandakambonzwa kachinzi kuseri kweShumba kune
huchi
Ndinenge ndichikapindudza zvangu ndichiti mai Deni
huya uone pamai Shumba paita huchi, . Ehekaa ko
ndini ndaitawo sei? Kubatwawo semurume
ndakaguma ndichaona. Kubva zvandaitawo bofu chero
kuzoitawo Chido uyu takazoita zvangove
zvekubhinyana bhinyana asi mai Jane zvekurara
nebofu vainge vasisade.. Varume vazhinji
muchandinzwisisawo ipapo..
Dai meso angu asina kuputika mboni ndingadai
ndokumbirawo donation kuchurch kuti
vandiendesewo mhiri kwemakungwa ndinoparwa
maziso. Ko vamwe vanoenda vachidzoka voona wani,
kungoti zvangu hazvichina kana mashiripiti
angakwanisa kundidzorera meso angu. Chokwadi
chisuwo chiri pakuona mai vane moyo wakanaka
kudaro pachiso chaipo. Pamwe ndinobatwa ruoko
ndichitendererwa neni mugarden, maoko acho
kupfava kwacho unoita kunge uchakotsira uchifamba
wanakirwa neruoko chete. Kwete rwamai Jane
rwekuti rwukakubata unosara uchingoshinyira
wamarwa marwa. Sadza vanoshaina naro kunge
rinosevewa nehove dzemubhaibheri.. Handinzwi

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 279 -
kuregreter kana kunyara kuti ndakatiza musha
nekuda kwemukadzi, ndinotonzwa kurumbidza
Mwari vakandisanganisa namai Shumba.. Mwana
wangu ndainge ndisati ndambomunzwa akavhura
chidikwa dikwa kudaro achiseka bva mazuvano
handisuwi kunzwa inzwi raRopa..Ndinotomunzwawo
achirova nyaya nevamwe mumba wanikwe ini moyo
wangu mufaro wacho!.Ndakafara pandakaona Ropa
achibva Kadoma achifara, ndaiti kuda
haambonozvifariri zvestand yevabereki vake iyi.
Achiri mwanana kunenge kuchinzi ndozogara nani
ikoko, ko handiti ini zvandadai ndatomirira
kuchengetwa naiye Ropa? Hatingatarisiri kukwegurira
pamba pamai Shumba ramangwana
harizikanwe.Naiye Chido uyu ndonzwa kufara hangu
nemwana wangu chero ndisina kumbomuona neangu
maziso asi ndotoona kuti akatosiyana paunhu naJanet
namai vake, ndinototumirwawo zvimari kuti
nditengewo coke asi moyo wangu unozobaiwa nezera
raChido. Akakurumidza kuita zvekuzviriritira mwana
wangu achiri mudiki nekuda kweubofu hwangu uhwu..
Mai Jane zvekushanda havadi vanoda
zvekungoshamira chikafu kunge nyana reshiri
vakarara.. Ndakaseka hangu ndichinzwa kuti vaivhima
Ropa kumakorokoza uku vachiti akaba madhayimondi
avo. Madhayimondi vanomawanepi mai Jane ivo
vachiswera vachiumburuka pamusha shena ichipinda
munzeve vakamirira pwere yakaita saChido kuti iuye
nemari!!..Ndakangoudza mai Lindi kuti vaone kuti
mwana haaende kuBoterekwa kusvika mhepo inonzi
mai Jane yadzikama..
Namai Lindi tinotaura tichinzwana.. Ndoshamisika
nemaitiro amai ava, handisini baba vemusha uye
handinawo zvandobatsira nazvo mumusha asi
urongwa hwepamba hwese hwave kupfuura
nemumaoko angu.. Ndaimboshaya kuti ndoita sei kana
vachinditaurira zvunhu zvinoda mari asi nekufamba
kwenguva ndakazoona kuti mai Lindi havanei
nechandinounza patafura vane basa nezvandofunga
semunhurume.. Ndonzwa manyukunyuku kana tigere
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 280 -
hedu tichionesana, Mwari vanoziva havo, ini handione
asi mubrain ndiri bright kudarika ane meso maviri.
Njere dzangu ndomeso angu ende ndakatoona kuti mai
Lindi vanofarira mafungiro angu..
Mazuva akafamba Ropa asingaendi kuBoterekwa
kuchienda mai Shumba voga. Ndakashamisika kunzwa
kuti mai Jane havachasuwiwi muBoterekwa vave
kugara vachisvika vachitsvaka Ropa. Ndakanzwa
kumutyira mwana wangu. Type dzanamai Jane
mazungairwa aya unokuvadzirwa mwana
vanozodemba vapedza. Ropa handidi naye.
Ndakanga ndakagara hangu mudiningrimwe zuva
ndakateerera nhau paradio ndakanyura
mumunyorododo unoita kunge wakatengerwa ini
nekuti unotonzwa pachinzi pasofa rababa..
Ndakanzwa munhu akanyahwaira achisvika
ndikanzwa kuti amira pamusiwo..
Me..."Ishe, Lindi ndiani uyu, Ropafadzo dondipa
mvura mufridge ndanguri ndaomerwa wena"

Munhu uya haana kupindura asi ndainzwa mumvuri


kuti aripo. Ndakabata tsvimbo yangu zvakasimba
ndikati pamwe matsotsi andisvikira ndiri ndega pano.
Ndakatodeedzera munhu uya kana kudavira asi
ndainyatsonzwa kuti ndakatariswa kumeso chaiko..
Ndakasimuka ndikati nechemumoyo uyu ndouraya
uyu, pano pamba hapana munhu ane unhu hwakadai ,
ndakabata tsvimbo yangu zvakasimba
ndopandakanzwa inzwi raiita kunge nyuchi irikutota
mukaba reshuga richiti,
"Aaah baba Ro, zvamuchandiparadza musoro
netsvimbo.. Ndini hangu ndanga ndichida
kukutyisai"
Me... "Uchakuvarira mahara mai Lindi usawanza
kudaro"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 281 -
Her.. "Ndatozviona ka Shumba. Ko ndatoona ka
nhasi kuti hapana anosvika akakubirai pano tisipo"
Me...(nemanyemwe) "Ndoponda mbavha ini mai Lindi
handimisi.. Ko nhasi mukagokasira kudzoka kudari sei
hamuna kuenda kuBoterekwa here?"
Her... "Hezvo baba Ro, asi hamundidi pano here ?,
Ndanzi nevasikana ndizobika ivo vasare kumusika.
Nhasi tarovha kuBoterekwa"
Me.."Heyazve, saka ndobatsirawo nei mukitchen
muchibika?
Her..."Imimi here, huyai muzogara henyu pachair
yenyu muchindiudza nyaya kuti saka
makarambirei kuenda kuJairos Jiri kwamakanga
manzi muende namai Janet"
Vakataura vachiseka mai Shumba ndokundibata ruoko
tichibva tananaidzana tonanga kukitchen.
Ndainyatsonzwa kuti meso avo akabairirwa pandiri..
Ndakanogara hangu pachair ndokudirirwa orange
crush yangu namabhisikiti ndokutanga kufurufuda
hangu ndigere tichiita nyaya.. DzekuJiri
dzakambozotaurwa here mai Lindi anowanza
nyambo..
"Ndarega kuenda kumakorokoza nhasi ini baba Ro,
ndaona kuti kuramba ndichisangana namai Jane
vangazopedzisira vanyumwa kuti ndini ndakachengeta
murume wavo kuno"
Me... "Ko zvine basa here mai Lindi, handiti
vakandiramba vakatopotsa vandiuraya? Kuda
kundiendesa kuJiri handiti kusandida ? Zvakadaro
vakandiita tsvimborume kare hoyo Chido yangove
mhandara asi kubva zvaazvarwa ndakanga
ndatorumurwa kare namai Jane ini"
Mai Shumba vakaseka zvekuti ndakapedzisira
ndotosekererawo ndichinzwa vachifadzwa neni
zvakadaro..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 282 -
Her... " Ko inga zvamakarumurwa kare zve nhai
Shumba. Ndichakutsvakirai kamwe kambuya kumusika
uku"
Me.."Kwete, kwete mai Lindi nditori right zvandiri
izvi, haungambomuwani mudzimai angade
kudanana nebofu riri yusiresi seni soo!"
Her.."Useless?! Hamurevesi Shumba.Ndotoshaya kuti
mai Jane vakarasika papi pagentleman rakadai. Kuve
bofu chitadzo here ? Munhu wese anofanirwawo
kuwana mukana wakamuringana wekufara muupenyu
hwake zvisinei nechimiro chake kana rudzi rwake"
Me... "Ndinotenda mai Lindi, chokwadi mashoko
makuru iwayo. Manje ndingabvunzawo here mai
Lindiwe?"
Her... (vachinzwika kunyungudika) "Bvunzai Shumba,
as long musingandibvunze kuti iniwo ndakarumurwa
riini nababa Lindi"
Me.. "Handibvunzi zvababa Lindi ini, vakafanana
namai Jane .. Mubvunzo wangu unoti , iwe
ukapfimbwa nebofu ungabvuma here?"
Her.."Aaah zvichienderana nekuti ndarifarira zvakadii
asika bofu munhu, kana hana dzangoroverana hapana
chakamboipa"
Me..."Hooo, chero rinenge inini kudaizvi?"
Her..."Chii chakashota pamuri apa?, Makaremara
papi?"
Me..."Mesookaa"
Her.."Aaah egaa zve!"
Me.."Unorevei mai Lindi?"
Her.."Munoti tinganotsvaka vamwe baba vemusha
tichiti variko vakaremara? Mungazvibvuma imi?"
Me...."Ndouraya munhu"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 283 -
Her..."Zvino wani! Shumba varipo musha ndiwoyu, vana
vedu vatatu mhandara dzedu mbiri nejaya renyu iri
mozodei?!"
Hana yangu yakati paaa! Ndikanzwa kubvunda
mumabvi umu. Ini kupiwa matomu akadai
ndozvikwanisa here? Ndakarovera moyo kudombo
ndatoona kuti ndini ndogona ndisina kunzwisisa apa
ndikazoita dzungu ndikaporonga hangu zvunhu..
Mai Shumba murikundipa matomu here ekuita
samusha pano pamba. Nyatsojekesai handidi
kuzoita zvunhu zvinozotipatsanura mangwana
Vakakosora kosora mai Shumba vachizogara pachair
parutivi pangu vachibva vati......."

MAI MARUFU

Kubva zvandashaya dhayimondi rangu handina kana


rugare muhana mangu. Ndopandanga ndabudawo
napo muurombo asi munhu ongotora hake! Kave
katatu ndichienda Boterekwa ndichida
kunopedzerana naRopa asi ikozvino ndaakutoona kuti
ini ndini ndave kupenga. Ropafadzo haawanikwi
muBoterekwa nekuti chero zuva randakatanga
kunomutsvaka hapana aiziva kuti ndoendako kana
uyu mawaya handina kunge ndamuudza asi
ndakangomushaya Ropa wacho.. Ndikafunga
zvakadzama ndonzwa kungoda kuita wiwi chero
pavanhu.. Svondo yapera iyo ndakarota baba Janet
varimumari, ikozvino kubva zvandashaya Ropa
ndaakutoona kuti ndiyo chaiyo mari yangu yavari
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 284 -
kudya baba nomwana yedhayimondi.. Zvichibva naiye
Chido, chakamutadzisa kundiudza kuti ave
kunditorera chibhegi chake chii ndingadai ndakatora
twunhu twangu imomo..
Pandakaona ndashaiwa mwana waPedzi ndakaenda
paguva ramai vake ndikavaudza kuti "kana usina
kuraira mwana wako kuti asaba wakairasa, nhaka
ndomubisa umbavha hwese. Utoita kuti agare
nechibhege ichocho asina kuvhura zvihomwe kana
uchida kuti akure asiri chirema"

Ndakabhidhaira ndokunopfugama paguva raDenis


ndikati, Shumba, madhayimondi aya amakandisiira
zvaakatorwa naRopa chiitai kuti amadzose, ndoziva
kuti makasiira kuti ndibatsirike pano pamusha asi
nherera iyi yotoona kunge zvese zvakasiiwa nevafi
pano pamba ndezvayo! Pindirai Shumba tingafa
nenzara pano
Ndakanzwa chikwee chakarohwa mumashure mangu
ndikavhunduka kunge ndicharuma ivhu.
Nhai mhamha, sei muchifarira kuita madrama imi!
Me.. "Ndokurova Chido unoona kunge ndirikutamba
pano?!"
Chido..."Hazvina serious zvamurikuita izvi apa
maakunditadzisa kunoshanda kuBoterekwa kubva
zvamakauya muchitsvakana naRopa asina kana
mhosva nemi nhasi uno..."
Me..(nehasha) "Iwe kana usingazive nyarara.
Akakuudza kuti Ropa haana mhosva neni ndiani?
Urikuziva here wawakapa dhayimondi rangu?!"
Chido..."Dhayimondi reiko baba Shumba iweee!
Katombo kakanhongwa naRopa kuBoterekwa uko
akazokaisa muspare umo nhasi rave dhayimondi
renyu?"
Me.."Chido iwe, hakasi katombo kaRopa kaya
ndozvaakakuudza kuti usaona kuti akaba.
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 285 -
Dhayimondi riya rakasiiwa nabhudhi vako
rikabiwa naRopa.. Dai waive umwe wamutsvaka
wawana dhayimondi iroro pamwe ungatodzokera
kuchikoro"
Chido.."Kunditadzisa kutsvaka mari muchiswera
muchindiitisa zvakapata kudai?"
Eishy ndakavira nehasha apa mwana waAbel
achikunyungudza isvo sviuno svinenge svezingizi
achienda.. Kureva kuti haatondibatsiri ka kutsvaka
dhayimondi iroro! Ndakangosara ndakabata
muchiuno ndakatarisana nemakuva...
Jane mazuvano nairo zidumbu haachagare pamba..
Kungoedza anotopurura makumbo oyambuka Runde
hameno kwaanenge achienda.. Kana odzoka ikoko
manheru anenge achingosekerera ega ndogoziva kuti
kunenge kuchibviwepi ? Zvunhu zvacho zvese
zvinongoita kunge zvakandimaka, mari yaRopa
yakanyoreswawo naMuganhu nanhasi kwasabhuku
kuri zii kana shoko rekuti mari dzacho dzinouya riini!
Rimwe zuva ndakamuka ndakazvifunga ndokuti hutuu
ndakananga kwasabhuku kunobvunza kuti Ropa
vakamunyorawo here madeath zvaakauya pamwe
vamwe varikudya mari takangoti vavava..
Ndichipfuura pachibhorani ndakasangana namai Sheri
achiuya kuzochera mvura. Ini ndaida kungomupfuura
handiti haataure neni? Ndakaona munhu amira kuti
ndisvike pedyo naye...
Mai Shelly... "Mamuka seiko mbuya haaa zvakazoita
ka zvunhu zviya mbuya , kwanzi mainini Ropa
vakazonoona stand ende kwanzi vakaifarira chose
"
Me... "Uri kutaura nezveyi!"
Mai Shelly.."Stand ka iya hamuna kuudzwa nababa
Sheri pavakauya kuzotora madeath anasekuru?"
Me..."Bamba Sheri akati anoda kunonyoresa Ropa kuti
awane mari yenherera, iyezvi ndakatonanga

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 286 -
kwasabhuku kunobvunza kuti inouya riini ! Ende Ropa
wauri kutaura nezvake ari..."
Handina kupedza kutaura mai Sheri vakanga vati
umburu muvhu nekuseka. Akaseka zvakaguma
zvondirwadza kumamain mese umu.
Mbuya munonyanya kuda mari yamusingazivi
kwainobva tibvirei zvedu dzokerai kumba
munogeza shena iyo! Kunyoresa chii
chinonyoreswa mainini Ropa vasipo! Muri nherera
imi?
Me.. "Ndine bhureni mai Sheri, usada kundiita kunge
munhu asina njere. Zvese zvestand zvauri kutaura izvi
kuda kuti ndirivare kuti Ropa akandibira kaa!"
Her. "Makabirweiko mbuya vemurume? Bhureni
dzamoreva dziripi imi muchirega mainini Jane
vachinorara nechidhara chisina kana meno naiyo
mimba.. Mbuya, siyanai namainini
Ropafadzo manzwa?, tarisai mabasa arikubatwa
naJanet wamunaye mumba.. Teneti rakanaka riya
toziva kuti rakabva kumukomana wekuBoterekwa,
acharamba achivatengera here akanzwa kuti
Bhanabhasi arikutsindira chana mumudumbu?
Makaita mai rudzii mbuya vasina basa nekuita
ndima yamai chaiyo pavana vavo? Kugarira
kuriritirwa naChido pamakati mhaa apa? Muganhu
haana kundituma kuti ndikuudzei kwaienda
madeath ndaziva kuti maisaziva asi ndati
ndikubudirei pachena sevanhukadzi
tasanganasoo."
Mai Jane...(vadzikamira) "Aiendepi madeath acho nhai
mai Sheri? Wanga uchirevesa here kuti Janet
unodanana naBhanabhasi!"
Mai Sheri.."Mbuya, Ropa ane musha Kadoma uko
wakasiiwa nevabereki vake. Pedzi nemukadzi wake
vakatenga stand muchirungu kwete zvekutamba,
ziimba racho mukariona munowa imi, rakapera
kuvakwa haaa mainini Ropa vatove rendirodhi

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 287 -
(Vakawedzera nenhema mai Sheri kuti zvityise) Regai
kutsvaka Ropa munanaBoterekwa umu haamo.
Mukangoenda Kadoma munonosungwa munemhosva
yamakamhan'arigwa kuti makatengesa nhumbi
dzevafi"
Mai Jane.. "Handisini ndakatengesa ndibamukuru,
kana mabhuku ekubhanga aPedzi nejumba yemari
yemusika yaive mumba vakasandipa kana sendi,
ndivo vakatora yose.. Hamuone kuti vakaramba
kugara naRopa, ! , vanotya kuti akazoziva
anovapandukira"
Mai Sheri..."Gud ! Kana nyaya yazomuka motaura zvose
zvakatorwa nabamukuru venyu mumba maPedzi,
nezvamakatorawo imi!"
Me... "Pakanaka muzukuru ko yaJane?"
Her..."Endai kumba munovhurira mainini Jane strong
mbhoma seyamakavhurira mainini Ropa pavakazobva
pamba penyu chokwadi chobuda chega!"
Akafamba samambokadzi mukadzi waMuganhu
achibva pandiri ndikasara ndichinzwa kudedera zvese
nenzeve chaidzo nezvaainge andiudza.. Pedyo naRopa
hapasvikwi???Apa ini mapurisa ndomatya sei kuda
kukurira mupurazi kwandakaita! Ko Janet wo abatwa
nemweyai ndosaka mazuvano asingachasweri pamba!
Ko ndikasungirwa mhosva yandisina kupara ndega
ndakwegura kudai zvozodii? Ndakachururuka ziya
ndichipinda pagedhe ndikademba bamba Deni.
Aisaona hake murume wangu bva zvimwe zvunhu
aibatsira hake sababa vemusha. Ndakangosvika
ndikati kunaChido atore bhiro nebepa ndaida kuti
anyore zvunhu zvandakatengesa ini pachangu
zvaPedzi ndisazonetswa nemapurisa kana ouya!..

End of chapter 30

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 288 -

CHAPTER 31

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 289 -

TINASHE

Kubasa mazuvano kunondinakidza kana simba


rekushanda ndinaro rese mumongo mangu. Ndave
kushandira kuunganidza mari yekuzoroora Ropa.
Imba takapedza zvedu namhamha tave kutotengawo
furniture yechizvino zvino tichishongedza mumba
kuitira kana muroora ozouya. Ropafadzo ndinomuda
nemoyo neupenyu hwangu hwese! Kugara kwake
Shurugwi asimo mumakorokoza kunochenesa wangu
moyo..Mai Shumba ndimai pane mamwe mamai,
ukaona mai vanogona kuchengeta bofu risiri murume
wavo nherera isiri mwana wavo munhu akadaro
anoda kurumbidzwa chaizvo.. Ndofara zvangu kuti
ikozvino vave kuziva about me and Ropa and
vakatondiudza kuti ndisaita anything chinorwadzisa
Ropa, zvinova zvunhu zvandisingafe ndakaita..
Babe ave nephone now taakutaura chero
patafungira.Ndototenda mai Jane vakaita kuti asauya
kuBoterekwa vachimupumha umbavha hwaasina.
Kana kuShurugwi ikoko ndinongomuona, pedo apa
hapatore kana hour kuendako... Ndoda kufadza Ropa
nekumupa rudo rwakamukodzera, ndazvichengeta
makore awanda ende it's like ndaiziva kuti
ndirikuchengetera iye unhu hwangu.. Mumba
namhamha nyaya dzangove dzaRopafadzo, mhamha
vangu vanoda muroora wavo zvekuti ndofunga gore
randinomuroora vanopembera kunge vachabata
denga. Ropa kungondida kwaakaita kwakachinja

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 290 -
zvakawanda mandiri, maitiro, matauriro kunyangwe
mafambiro chaiwo handichangoiti handioni oni
yandaiita kare iya yekushaya chinangwa neupenyu.
Ndave kuziva kuti ndodei muupenyu hwangu..
Mazuvano tinamufundisi Gari kumakomba,
toparidzirwa unhu hwakanaka kubva zuva richibuda
kusvika rapinda munamai varo.. Totenda chirwere ichi
chakamupotsa chakamuvhura maziso, zvorwadza
hazvo kuti vamwe vake vaaidhibha navo mudhibha
rinonzi Jane vese vakazobatwa kuti vane chirwere.
Izvozvo zvave kuita kuti Gari apenge nekuda
kugadzirisa unhu hwake, tsuro haiponi murutsva
kaviri. Vasikana vatsva vanouya kuBoterekwa ave
kutoita kunge bofu kunge asingavaone, aisazviita
izvozvo mukomana, musikana wese mutsva auya
aitoda kuona kuti murokwe make munei?..Ikozvino
chake kushanda every Friday anoenda kumba hanzi
ndoda kunoenda kuchurch nanamhamha.. Mhondoro
yeBoterekwa yaiita mwedzi mitanhatu isina kana
kumbotsika kumba, zvunhu zvinochinja shuwa...
Zuva randainge ndakamirira rakazosvika ndikakwira
chimota ndakananga Shurugwi. Munzira ndaifunga
nyaya dzekunotaura naRopa kusvika ndadzoka, hakusi
kubatwa nenyadzi kwandoita kana ndine babe,
ndobva ndashaya zvekutaura, zvekumubvunza kana
zvekumuudza. Asi ndakambonzwawo kuti kuudza
babe kuti unorida uye unoda kuriroora hanzi
ndozvikuru zvinofadza chimoko saka Ropa
ndinotomuudza pese pandotaura naye. Apa it's not
because ndakanzwa but ndomuda babe wangu
ndotoda kumuroora zveshuwa..
Ndakasvika Shurugwi dzatove kuma1 masikati. Ehe
ndaisada kuzoswerawo pamusika ndichivhiringa Ropa
basa. Ndakawana aribusy musikana nemacustomer
ake. Ko ndaimboziva kuti musika wake wakakura
kudaro munhu achangotanga ?Ndakatarisa pamusika
pamai Shumba ndichiti kuda varipo ndikaona pane
umwe musikana akafanana navo aivewo busy
kucleaner cleaner zvunhu pamusika ipapo. I was well

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 291 -
dressed semunhu auyawo kuzoona chimoko
padhorobha. Ropa akatozocheuka ndatozvipa hangu
pekugara pachair yake paainge asimuka.
Ndakabvunda ndakamutarisa akapfeka skin jean
reblack rairatidza chivakashure chake pamwe
nekubudisa tumahips twaave natwo mazuvano utwu.
Dai ndaive nemari yekuroora chokwadi handaimusiya
muShurugwi Ropafadzo..
"Hezvooo, ko veBoterekwa masvika nguvai pano?",
akadaro Ropa achisekerera achitora imwe chair
ndokuzogara pedyo neni.
Me... " Hesi babe, ndasvika hangu uribusy kuserver
macustomers ako, inga pakazara pamusika pako"

Her...(achismiler) "Shuwa here? , kungoedzawo kuda


zvinoita."
Me.."Zvinoita babe, ko mhamha mai Shumba varipi?"
Her..."Vabva pano manje manje vaenda kumba vati
bamukuru varara vachikosora usiku saka vati
vachambonovatarisa"
Me..(shocked) "Asi vanorara musame room?"
Ropa..."Aaah aiwa Tina. Havarare muroom
imwechete but mhamha vanombotarisa usiku kana
bamukuru naIshe vakarara zvakanaka uye
vakauya magumbeze nekuti kune mosquito
dzakawandisa"
Me. "Vane care mhamha mai Shumba", uchazogonawo
here kurara wakanditarisa kana ndakarara zvakanaka
uye ndisingarumwe nemosquito?"
Ndakatoona kuti ndaomesera mwana, ndakaona
otsikitsira kutarisa pasi achibva ati, "aaah hatirare
musame room , ini ndinenge ndichirara namhamha
iwe worara wega"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 292 -
Ndakabatwa nesetswa asi ndakazvidzora, mai
havarevesi ava shuwa , kurara namai Tina ndovave ini
here!
Kwakazosheedzwa musikana uya aive pamusika
pamai Shumba achibva auya akaziviswa kuti ndini ani
naRopa. Akangondikwazisa achisekerera achibva
andibvunza upenyu kunge arikubvunza munhu
mukuru tsika dzacho ndakadzishaya ini, akabva
adzokera hake ndokunogara pamusika asi
matarisaniro avakaita naRopafadzo ndakaita question
mark kuti vanhu vakafita kunyeya munhu nemaziso
akapera ava.. Takazoswera hedu tichiita nyaya naRopa
ndikatengawo madrinks vakamwa nasisi vake. Pane
machanges andakaona panaRopa, paaigara kwamai
Jane of course she was beautiful and everything but
now ari kuglower kani and unonyatsoona mufaro
wake wakaperera chero uchitaura naye.
Ndakazvifarira hangu. Kuswera tese kwakatibatsira
kubonder, takazodokerwa taakutotaura nyaya
kunyarana kwave kushoma.. Ndakatoshamisika Ropa
achiti achakumbira mhamha vake kuti ambouyawo
kuzoona mai vangu kuBoterekwa sezvo ndainge
ndamuudza kuti mai Jane mazuvano havasi kuuya
vatove nemazuva..
Nyaya huru yandaida kubvunza Ropa handina
kuikanganwa.. Ndakamubvunza ndave kuda
kutooneka nyaya yekadombo kaaireva kuti
akakanhonga kuchikomo. Zvunhu zvemuBoterekwa
ndozvitya mhani munoyera munzvimbo muya
ndaitoda kuona kuti kadombo rudzii ikako.
Me.."Ko babe, kadombo kawaitaura nezvako kaya
kadombo rudzii plus wakakanhonga pai chaipo, hope
hauna kutora tumatombo tunoiswa nevanhu panenge
pafira hama yavo senzira yekuti vasazoparasika
pakaperera upenyu hwehama yavo?"
Her. "Iiiiiii harisi dombo hombe repaguva Tina,
kadombo kadiki hakana kunyanya kukukura

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 293 -
kakaita seaka, (achinhonga kamwe katombo
achiratidza Tina ) but iko kanorema"
Me... "If you say so Ropa but usafe wakadzokera
kunzvimbo iya zvakare"
Her.."Hakutyise kuya ndaiendako mazuva ese kana
ndapedza basa ndichinoviga mari yangu
yandakatanga nayo musika uno pasi perimwe
dombo ririko kuya"
Me.."Ropaaa!"
Her.. "Ehe Tina ndaienda ini"
Me.. "Ko waidii kundiudza ndaikuperekedza"
Her... (achiseka) "Kubank kunokokwa munhu?"
Me..."But wakangwara muroora wavaMasivanda heya
waishanda uchiviga mari?"
Her... "Eheee hangu, apa zvakazoita mhamha mai
Ropa manje, vakaisa 100us yese musetchel mangu
mazuva avairuka vanhu misoro kuEmpress
vakaikanganwa. Kutozoiona ndave kuno Shurugwi
irimo muhomwe yesetchel, ndakatoiisa mubank
rangu ichakwana nguva yayo yekushanda"
Me.. "Shuwa here babe, vainge vakatoviga kuti mudhara
wako asaione.. Ndozvinoita machembere ende ndoona
ndozvauchaitawo iwewe, ummm kamunhu kanoviga
mari pasi pemabwe!"
Her....(akaisa musoro parutivi) "Tiri nherera Tina,
ukasazvifungira unofungirwa nani "
Ndakatoona kuti ndikada kumutsigira panyaya iyi
ndopakuzopedzisira taakuchema isu tanga
takafara..Ropa dzimwe nguva haungamunzwisisi saka
handina kumboda kumuudza kuti ndini ndakaisa mari
musetchel, zvaisati yashanda kudai angatoita nzira
dzese dzekuti mari iyoyo idzoke kwandiri..
Ndakanyarara zvangu ndichazomuudza nekufamba
kwenguva.. Zuva rainge razodoka ndave kuda kuenda
kumataxi.. Ndainge ndine kamari kandaida kusiira

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 294 -
babe but kumupa muruoko aizoiramba ndomuziva.
Sisi vake vakanga vasimuka vapinda mushop saka
pamusika pakabva paita macustomer Ropa achibva
amhanya kunoabatsira.. Ndakatora mukana iwoyo
ndichibva ndakweva handbag yake negumbo
ndokuvhura kamwe kahomwe kemukati kuti
ndipfenyeke mari iya agozonoiona ave kumba.
Pandakavhura kudai ndakaita kunge ndichadonha.
Ndakatambirwa nechibwe chegoridhe mukahomwe
ikako ndikaziva nhoroondo yekatombo aka asi
ndakatoona kuti Ropa pane paari kuvhiringika
pakatombo aka apa achifamba nako achikanda
handbag chero paakanda anogona kubirwa kana
kuurayirwa goridhe iroro. Gold rinemakuva hama
handiite zvekuudzwa. Handina kumbofunga kaviri
ndakakweva kadombo kaye ndichibva ndakaputira
neshizha recabbage ndokuisa muhomwe yejacket
yangu ndichibva ndatsveta mari paanokasira kuiona
handina kuzoisa mukahomwe. Ropa akadzoka
ndichingobvunda ndakagara, it was not the place and
time yekuti ndimuudze zvaakatakura , ndakatoona
kuti ndingatobhaiza ndave ini of which ndini ndofanira
kumubatsira panyaya yese iyi. Takaonekana ndichibva
ndamusimbisa kuti auye kumba kuzoona mhamha
anongoburuka onanga kumba asasvika kugomo. We
hugged goodbyes apawo ndakaita chivindi chekuti
handingabve pababe kunge ndirikubva panambuya
mai vababa..
Ndichisvika kumba ndakangotora mugwara
ndokubuda ndakananga pane amwe makomba
akacherwa kare akatodyirwa aripedo nepamba..
Ndakasvika ndokucherawo kagomba ndikafutsira
chibwe chiya chichingori mukati meshizha recabbage
ndichibva ndadzokera kumba hana ichingorova..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 295 -
JANET

Ndaimbonyan'anya ndiri kuBoterekwa mhani , ndiri


ini base commander..Vanhu vatsva vese vaiuya
vachizotangawo basa rataiita iri vaitondinyengerera
kuti vashande, ndaitsemura kurova anenge angosvika
achingoshanda kunge auya kuzoshandira mutsewu
mambuya vake. Ndaizviudza kuti muupenyu ndichava
nechigaro chakakwirira kana kuzozvionawo ndave
pakakwirira semunhu ane simba rake rekushanda..
Pandiri pano handina kunge ndakambofunga kuti
ndingazotakurawo nhumbu isina baba nechirwere
chandisingazive chaiye akandipa! Gari ane moyo
wakanaka wandoshaya kuti akauwana kupi? Nhumbi
dzemwana ndave nadzo akatenga.. Teneti ndotoitawo
kunge ndine murume handitamburi kana ndichienda
kusikero kuchipatara.
Chinonyanya kundinetsa inyaya yekuti kubva
zvandakaita nhumbu iyi ndonzwa kuda kurara
nemurume. Ndingazviudzawo Gari here izvozvo iye
asina chirwere ? Rimwe zuva ndakaenda kuchipatara
ndichinotora mapiritsi ndokusangana
navaBhanabhasi vachitorawo avo. Ndakatoshamisika
kuti mudhara uyu akachipiwawo nani chirwere, ivowo
vakatoshamisika kuti ndauya kuzoitei? Takafamba
tese tichibva pachipatara tichikurukura hedu asi ini
kutaura chokwadi ndakanga ndatopedza kurongera
mudhara iyeye.. Takasvika pamharadzano vonanga
kumba kwavo ndopandakavati regai ndipfuurewo
nepamba penyu ndichimwa mvura, urongwa hwangu
hahuna kumboenda musango ndakasvikogarira
mudhara beya achibva aita chimbwamupengo..
Nanhasi uno tirikungorova mutambo navaBhanabhasi
zvave kutondinakidza zvekuti ndikaswera ndisina

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 296 -
kuvaona handinzwi mushe.Mudhara wacho anoita
kunge muchero wave kunakira kukuva plus ini ndaive
ndisati ndamboita zvekutora nguva ndichibatana
nemunhurume tisati tayokera handiti zvekumakomba
paingoita kunge pari kupurwa makoto emhunga?
Manje vaBhanabhasi vanotondiratidza pekubata ,
ndaimbotya asi ikozvino ndave kuita sedzvinyangwe
Mazuva akafamba ndichinakirwa nedhara rangu apa
nhumbu yakura ndobatsirwa mumwedzi miviri
irikutevera.. Vamwe mungati ndoda zvunhu asi
handisini, mwana ndozvaanoda...
Mai Jane ndovaona zvangu vachisvuurwa nenzara
pamba. Ndakambovaudza mhamha kare kuti
ngavapote vachiendawo kuBoterekwa vachinoitawo
zvinoita vanamhamha vaTina kuunganidza ivhu
rinosefewa nemakorokoza riya vachisefawo vamwe
vanoita mhanza vanowana zvimusaririra asi ivo
havadi vanoda kugara. Hoyo Chido rave dusvura,
haachanzwi munhu tisu tave kutonzwa naye. Dai ariye
ane mimba zvunhu zvingadai zvichifamba
ndichishanda hangu , manje ini Bhanabhasi chikafu
anondipa ndodyira panzvimbo kumba ndongonomwa
mvura yamai Jane..
Ndakasvika kumba ndikawana mhamha vakazara
nehasha. Pakutanga ndakati pane zvavanzwa
nezvaRopa ndichibva ndavaswedzwa vakanyarara.
Ndakapfuurira hangu ndokuchera mvura yangu kuti
ndigonorara ndichinwa asi ndakangokaruka mug yave
muchoto madota azara imba yese vandipumurira mug
yandainge ndakabata...
"Mhamha, dzichirimo dze...."
Handina kupedza kutaura nyon'o yandaida
kuvabvunza ndakavhazurwa zimbama pamuromo.
Ndakatoona kuti pangu pangatondiperera ndichibva
ndauruka kuenda panze asi ndakatobuda ndabereka
imwe shamhu iri strong...

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 297 -
Her.. "Nhasi uchandiudza kuti chaunoda parudhara
rwakaita saBhanabhasi chii chaizvo!"
Me.."Andidanane naye ini mhamha, tongova
mashamwari"
Ndakaidirwa imwe yakanocheka nemuhuro umu
ndichibva ndabata nhumbu yangu neruoko nepasi
pedumbu apa kuti mwana asakuchukudzika
ndichimhanya ndokubereka tsoka ndichibva
pamba.Ndakamhanya veduweee, Ndakatiza nenzira
inoenda kumba kwaBhanabhasi asi ndakanokona
ndave mberi ndokuvanda, mhamha vaingotevera apa
kwanga kwati svibei.. Mhamha vakapfuura nepadivi
pangu ndikavanzwa vachibudisa mweya vachifambisa
ndozvavanoita kana vanyanya kushatirwa , vanoita
kunge hora dzemuUnki mine.. Ndakasara
ndokumbomira pachikwenzi ndichifunga kuti
mhamha vaudzwa nani? Pave paya ndakazoona
mhamha vasiri kudzoka ndikaziva kuti chidhara chiya
chinonourutswa chiruvi cheimba usiku huno..
Ndakabva ndafambisa ndakananga kwaBhanabhasi..
Ndakasvika pedyo nechivanze ndikamboteerera
ndikanzwa kusina noise. Ndakashaya kuti mhamha
vanangepi kuda varasika pamba pemudhara uyu ?
Ndakanyahwaira ndonanga pabedroom paBhanabhasi
sezvo pakitchen door rainge ravharwa kuratidza kuti
hamuchina munhu.. Haangatadze kurara nekuti sadza
tadya na4 ndisati ndaenda kumba..Pandakanoti
pamusiwo door rakange rakadzoredzerwa zvishoma
shoma. Ndakamboti kuda ndiri kurota asi
ndakazvitsunya ndikarwadziwa ndopandakaona kuti
zvechokwadi mhamha varikutozviita !!!!!!!!!!

End of chapter 31

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 298 -

CHAPTER 32

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 299 -

MAI SHUMBA.

Muupenyu chinoita kuti tizoti dai ndakaziva inyaya


yekunonokera chance kana Mwari vakuswededzera.
Ndanga ndiri chirikadzi kubva baba Lindi varivapenyu.
Nhasi uno ndoona chakanaka chaunzwa naShe mumba
mangu ndotarisa panze kuti zuva rave papi? Bodoo!
Baba Ropafadzo ndiye chete murume andainge
ndakamirira makore ese aya. Vakauya vakawanda
varume asi ndakaramba ndakachengetedza
ushirikadzi hwangu..
Imika imi, pandakasvika pamba ndainge ndisina
kuzvitarisira Kuti ndinganoita hurukuro yakadaro
nababa vaRopa. Zvakazviita zvega kani, ndainzwa
kubvunda ndichitaura dzerudo nemurume mushure
memakore ese aya. Chandisina kubvira ndaita
kuregretter , hakuna munhu akazvarwa akagraduater
kuti uyu ndiye asingafaniri kufara. Ndodawo kufara,
kucharmiwa sezvinoitwa vamwe vakadzi nevarume
vavo. Aaah imi, aiziva kuti kunemapofu anocharmer
zvakadaro ndiani? Chero mufundisi vakandidzinga
church kuti ndazviitirei tonamatira kumba kwedu
nababa Ro Mwari varikowo.
VaMarufu pandakavaudza kuti musha, vana nezvese
zviripano zvakatarisira imi sababa vakavhunduka.
Ndakatoona kuti chokwadi hana yavo yarohwa
nehana. Ndakatsveta zvese zvandaiita ndichibva
ndanogara parutivi pavo ndokuvabata ruoko.
Me...."Baba Ro mave kundiziva, neni ndavekukuzivai.
Pandinoita joke maakuziva kuti ijoke iri but apa
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 300 -
ndofunga manyatsonzwa kuti handisi kutamba. Kana
musingazvitambiri tiri vaviri pano taurai kuti kwete
mai Lindi izvi bodoo!"
Vakabisa maglass avo ndokuisa patable ndokupukuta
maziso avo ayo andaimbotya kana kutarisa pavainge
vachangouya pamba nekuda kwemakomba aanawo asi
ikozvino ndotomapukuta handichatyi ave
kutondivaraidza kuona, ko ndivo vakazvida here?
Him.. "Mai Lindi handidi kuita kunge ndaakutora
advantage yemoyo wako wakanaka, hongu hangu
ndingada muvaraidzi asi....."
Me.."Baba Ro, ini nemi hatina kumbowana mufaro
wakatikodzera kusvika zera rino, makataura kuti
makaguma kuva nemufaro mumarriage yenyu kare
kare, tese takafanana saka....."
Him..."Mai Lindi, kana uchindida uchinditambira
ndiri zvandiri izvi ndingarumbidza Mwari ne....."
Me...."Kana muchikwanisa kumurumbidza Mwari
tangai ikozvino. Ndinokudai baba Ro, nezvese zvamuri..
Hapana chiri pamuri chandinovenga. Ndoda kuva
maziso enyu, ndikubatei ruoko pese pamunoda support
kusvika Ishe vatiparadzanisa."
Ndakapedza kutaura baba Ropafadzo vave kupfikura
kuchema murume mukuru...
Me... "Ndinokupai mukana wekuyeredza misodzi
yenyu kekupedzisira.. Kubva nhasi ndoda kuona
muchifara "
Him.. "Misodzi yemufaro iyi mai Lindi, handina kunge
ndakazvitarisira kuti zvingaitikawo kwandiri izvi"
Me.." Ndinoziva Shumba......"
Him...."Abel kwanhasi kwega, asi usazojairira kana pane
vana"
Me.."Okay Abel, newewo kwanhasi kwega
ndokubvumidza kuti udane hako kuti Miranda"
Him...." Miranda!, Chirudzii ichocho?
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 301 -
Me..."Aaah Abel ndambokubvunza here kuti Abel
chirudzii?"
Takaseka nababa Ropafadzo tichibva
tambombundikirana kwekanguva ndikanzwa hana
yaAbel ichirova zvekuda kubuda mushirt.. Vanana
vanoti "its romantic", baba Ro vakandizevezera
takambundirana kudaro vakati
waita hako Mira, hapana aizouya akatiudzira zvekuita,
ini newe kubva nhasi tichagadzira wedu mufaro tiri
vaviri pano pamusha
Me..."Ko vana tichavazivisa sei ?"
Him..."Havanetsi, tichavawanira mukana asi parizvino
ndini newe"
Takazogara pasi nababa Ropa tikataura sevanhu
vakuru, ichokwadi hapana watingamirira kuti
azotiridzira bhera kuti ndiyo nguva yamawana
yekuumba humwe hupenyu. Vamwe vangandishora
havo asi ndiwo umwe mukanazve wakaimbwa
nevanoziva.. Wandine shuviro yekubatisisa nekuti
sekutaura kwevakuru, chawawana batisisa mudzimu
haupe kaviri..
Chandisina kuda kuzvinyepera kuparadzanisa
Shumba nemhuri yavo. Handidi kuzodemba
mangwana, baba havatsaurwi nemhuri yavo..
Ndakavaudza kuti pese pavanosuwa kunodongorera
kumatongo kwavo vanofanira kundiudza
toonesana..Izvozvo vakandirambira vakati shungu
dzavo chete ndedzekuda kuzivisa vazukuru vavo
nezvedu, zvekumusha hanzi ndozozviona nerimwe
gore.. Ndakazoseka hangu pavakati
kubva nhasi mai Jane vatambire kure neni
vakandiramba kare, chokwadi vakasvika pedyo
newe ndovadambura dambura nemazino angu
aya"
Ini hangu panamai Jane handina chandingataura asi
chandisingade vasazouya pamba pangu

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 302 -
vachindinyadzisa Makusha yese kuti ndakatora
murume wavo. Handina kutora ndakanhonga
musango murume musvinu akanga akaraswa ende
ndichamuda zvisinei kuti pane vachatsva kana
kugodoka nazvo...
Kubva zuva rataita chibvumirano nababa Ropa ini
kumusika hakuchagarike hamawee, dzimwe nguva
ndave kutiza vana ndichinoona baba Ro masikati..
Tabanana kave kaviri vana vasipo bva veduweee
kungoshainirana zvenyu nezvimhuka izvi asi kana
umwe akazowanawo paanopihwa pasina zvibinge,
seni hangu ndozvifira makore anga awanda..Baba
Ropa ndinovabata zvekuti murume mukuru anoshaya
pekubata pamuviri wake chaiwo nekuti pese ndoita
kumwaya tsvigiri chaiyo..Chandingakuudzai hangu
ndechekuti Mwari havanyime munhu zvese, baba Ro
chavasina maziso bedzi asi aiwa vane zvunhu zvavo
Murambwi kana vanababa Lindi vaitotishainira dai
vaizodzoka tikaonana zvakare ndaivaseka ini kuti
ndokayi kaya kamaidada nako?. Aiwa mai Jane vakaita
havo.. Ini mumoyo ndaakutononokerwa kuti tichisiya
zvekubira izvi tiudze vana baba vobva vatama imba
yekurara.. Ukuwo chando manyawi kunge June chaiye
kunzwa hangu kuda kurara ndichidziiswa..

NARRATION

Mai Jane zvavakabuda mumba vakananga


kwaBhanabhasi vaiita kuvira nehasha. Vainge
vakabata danda ravaiti vanonopondesa Bhanabhasi.
Pavakasvika vachipopota havana kumbopa
Bhanabhasi mukana wekuti apfeke semunhu akanga
arara hake. Kamusiwo kake kakangoitawo zvako
zvekuti vakangosvika vachikasunda nedanda
ravakange vakabata kachibva kazaruka..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 303 -
VaBhanabhasi vangu tainge takarara tiri bagwe
chairo.. Mai Jane pavakati baa Bhanabhasi paakamuka
achida kuzviponesa nekutiza vakavhunduka kunge
munhu abatwa nebuka.. Bhanabhasiwo akashamisika
nemaitiro amai Jane nekuti vakangoramba
vakavhomora meso vakatarisa paidakadza meso
avo..Nekuziva upenyu hwamai Jane nenhoroondo
yewanano yavo navaMarufu Bhanabhasi
akanyatsoona nzara nenyota pachiso chavo pavainge
vakangovhomora meso akaona uriwo mukana
wekuzviponesa padanda ravainge vakabata.. Mai Jane
pavakangogumhiwa naBhanabhasi vakabva
vatodonha vega makumbo ndokukwazisa
mhepo..Haana kumbofunga kaviri Bhanabhasi akaona
kutononoka kuriko kwaigona kumurovesa nedanda
achibva atoupfutidza mutambo ko ndiye aizozvidiiwo
? Hapana dziviriro yakafungwa kana neumwechete
zvake wevaviri ava...
Jane akarohwa nehana nezvaiitika mumba
maBhanabhasi zvekuti nenguva diki akanga atopera
rukudzo kunamai vake angotarisana nekurwira
chikomba chake.. Akangosundawo kamusiwo
ndokusvikonhonga danda rakanga rangonzi rasha
namai vake ndokutanga kupura vese Bhanabhasi
namai vake zvekuti mai Jane vakatoona upenyu hwavo
hwagumira padanda riya ndokuzviponesa nekuridza
mhere iyo yakaunganidza vavakidzani.. Jane haana
kuda kumirira kuungana kwevanhu vemuraini
akangosiya adira mai vake danda rakasimba pagumbo
ndokunyangarika mukadima mo.. Mai Jane vakatoedza
kuti vasaonekwa nevanhu vazhinji vachirendura
mazamu varimumba maBhanabhasi sezvo
chibhurauzi chavainge vakapfeka chakangoita
zvekurashwa naBhanabhasi pazvainge zvamubata..
Havana kugona kutiza mai Jane gumbo
rakavarambira.. Bhanabhasi ndoozvaaida kuti vanhu
vaone unhu hwamai ava zvekuti haana kana kuda
kupfekawo zvakaperera.. Mai Jane gumbo
rakatozoonekwa kuti rainge rashodorwa nedanda

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 304 -
naJane vanhu vakaita batai batai kuvatova kuti ropa
risaungana...
Nyaya yakamuka ichinakidza muraini zvekuti mai
Sheri vakatozosumuka kwati dziyei vonanga
kwaBhanabhasi kuti vangonosvika pacrime scene
nyangwe zvazvo mbuya vavo vainge vave kumba
kwavo.. Jane akangopedzisira kuonekwa
nevakamuona masikati , kubva zvaakaponda mai vake
haana kumbozoonekwa.. Mai Sheri vakafara chose
vaitoshaya pekunyora nyaya yese iyi kuti kana vasvika
Shurugwi kwavainge vadamwa nasekuru vavo
vongonoita zvekuverenga nekuti vakada kuita
yekubata nemusoro vangatokanganwa zvimwe...
Nyaya dzinonyadzisa dzinofamba kudarika dzakanaka
dzacho.. MuBoterekwa nyaya yaJane yekurwira
mudhara namai vake yakaswera yazara zvekuti Gari
akatoinzwawo akapererwa.. Comment yake
yakangove yekuti ", ndanga ndagara ndisinei naye
mwana waakatakura haanei neubenzi hwake saka
ndichaenderera mberi nekuchengeta nhumbu kusvika
abatsirwa ndozoziva kana ndirini baba vemwana,
Kana ariwangu ndinotora ndosiya Jane neubenzi
hwake
Vanhu vakatoshamisika muBoterekwa nekuti Gari
wavanoziva chaiye angadai akatopopotera kuda twese
twaakapa Jane back otengerwa preperation
nemudhara wavo namai vake...
Miranda naAbel sekuvimbisana kwavo kuti
vachagadzira vega mufaro wavo pamba pavo havana
kubva pachibvumirano chavo. Mateenagers chaiwo
anosara pasi.. Lindi semunhu mukuru akanga atoonera
vakuru vaviri ava samhu dzavo asi semunhu
anokoshesa mufaro wamai vake haana chakamubata
pazviri akangomirirawo zuva ravachazvibudisa
pachena.. Mai Shumba vakaronga nababa Ropa kuti
vaizobatsirana kubika dinner yakanaka vogara pasi
nevana vavo vovazivisa nyaya. Ropa zvaingomunetsa
nekuda kwezvaaimboona panababa vake namai

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 305 -
Shumba asi airamba kubvumira pfungwa yake
yaimuudza kuti vaviri ava vanogona kuva murudo
nekuti haana kumbobvira afunga kuti baba vake bofu
raida kuurawa namai Jane risingashande risina
charinacho vangadiwa namai Shumba landlady
vanongoshota mota chete.
Chaimunetsa mufaro waiwedzera pazuva pazuva
panababa vake namai Shumba.. Vakava vanhu
vanogara vachifara! kana majoke avo aitoratidza kuva
evanhu vanonzwana zvemukati kati asi sezvo pfungwa
dzaisava ikoko haana kuzvifunga.. Kubvawo Lindi
zvaakaona asati audzwa, usisi hwake kunaRopafadzo
hwakabva hwasimba nekuti akaona pasisina
chichavadzosera kumashure kuva masisters kana
vabereki vavo vakanzwana
Mai Jane vakatozofunga patozova paya kuti mweya
wakanovabata weufeve vasvika pachivanze
paBhanabhasi uya wakatopinza upenyu hwavo
panjodzi nekuti kugara kwese vaiziva kuti Bhanabhasi
anomwa mapiritsi uye akatorasikirwa neimwe mvana
yake yaaimbogara nayo.. Havana kuwana zororo
mumoyo mavo apa Chido aipopotatawo kudya rasha
nekunyadziswa kwaakaitwa namai vake sezvo nyaya
yavo izere Boterekwa rese. Mai Sheri havanawo kutora
nguva vakabva vauya kuzowedzera munyu paronda
vakatoudza mai Jane kuti kumapiritsi kunoenda Janet
kuchipatara votoita nzira imwechete, havana
chavakasiirira mai Sheri kutsindira panamai Janet uye
vakatovaudza kuti sekuru vave kutozodzoka
kuzovarambira Izvozvo asi mai Jane semunhu
asingashayewo mhinduro chero dzisina musoro
vakaudza mai Sheri kuti hapana zvavaikwanisawo
kuita sezvo sekuru vavo vakavatiza vakavasiya vave
chirikadzi
Tina kubva zuva raakabva Shurugwi akazviona
atakura mutoro wakakura kudarika waaifungidzira
kuti ungauye nerelationship yake naRopa. Nyaya
yegold raRopafadzo yakamuvhiringa. Worse knowing
kuti muridzi waro haana chaanoziva. Tina haasi
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 306 -
munhu anogona kuvanza zvunhu kunamai vake,
akabva avazivisa nezvegold raRopa nekwaakariwana
mai vake vakamuudza kuti gold kunyanya kunzvimbo
inotaurwa naRopa haringowanikwe usina dikita
rawabuda obvious vabereki vake ndovakamuratidza
gold iroro and ndosaka risina kurasika panguva yese
iyi yaanga achigara naro asingazive.. Mai vaTina
vakashamiswa nemwana wavo paakavaudza kuti
paachatambidza Ropa goridhe rake vachabva
vaparadzana nekuti Tina ainge ozvinzwa oremerwa
kuti zvinozoita kunge arikudira Ropafadzo mari yake.
Mai vake havana kuwirirana nazvo asi havana zvizhinji
zvavaigona kuita nekuti vaitoona kudzamirwa kwaiita
mwanakomana wavo nenyaya iyi

End of chapter 32

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 307 -

CHAPTER 33

ROPAFADZO

Kubva zuva rabva Tina kuShurugwi ndingori happy


hangu. Ndaimboona kunge ndakaita mistake pakuda
Tina asi ndakatofara Lindi achindisimbisa kuti
panaTina ndibatisise ndopakati chibaba... I trust Lindi
nekuti ukatarisa unhu hwake nemaitiro ake unotoona
kuti munhu ane gwara muupenyu.. Zuva iri kana hope
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 308 -
hadzina kuuya ndichingofunga hug yandakapiwa
naTina ummm muviri wake waidziya zvinodakadza
shuwa, hameno musi wandakambomumbundira
kuBoterekwa handina kuzvinzwa sei? Chero
pandaigeza manheru acho ndaingosekerera chero tap
chaiyo yemubathingroom, kungoitarisa soo
ndonyemwerera. Chese chandaitarisa chaindipa
mufaro.. Asi mufaro wangu ndaiona kunge utori
mushoma panewamhamha mai Lindi nababa vangu..
Ummm vaviri ava chikweee chacho kaaa unobva
washaya kuti zvirikumbofamba sei? Ndakamboda
kubata bata mubvunzo waTina wekuti asi vanorara
musame room ndikaona pfungwa dzaTina dziri
dzemunhu asinganyatsoziva zviri kuitika kumba
kwedu, vanhu vane mufaro chete, nothing more...
Semazuva ese kana ndabva kumusika , ndakabudisa
mari ndokugara hangu mukitchen pachair ndaisada
kukanganisa Lindi aiitawo mabook amai vake
musittingroom.. Ndakabudisa mari yese yaive
muhandbag mangu asi ndakashamisika muchibuda
$50 yandisina kumbobata muswere wese wezuva.
"Hapana munhu ambouya nemari yakabatana
inosvika $50 nhasi!"
Ndakagaya hangu ndakabata mari iya muruoko,
"Damnit Tina!!!!"
Ndakakaruka ndataurisa...
Lindi..."Damnit Tina? vaita sei bamudiki vangu?"
Me.."Nhai hako Lindi ndirikuona mari iyi hona, ndiye
Tina andiisira hapana kwandamboiwana mari iyoyi
nekuti kuseni ndabva nemari shoma yandanga ndichida
kunoshandisa pachange"
Her..(achifutira kudzokera musittingroom) "Ndafunga
kuti pane zvaaita ini.. Mari? Asiya nyoka here? Tora
mari unotenga maperfume nemafuta ako lotion
inodhura wozora.Ndozvaakupira mari iyoyo kuti

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 309 -
utenge zvaunoda semusikana. But usakanganwe
kuzotenda.. Zvinonzi thanks honey"
Ndakamboramba ndakatarisa Lindi but iye akabva
anditsonya neziso zvake zvemafunny zviye achibva
abuda.. Kekutanga kubva zvandakadanana naTina,
ndakaona isiri mhosva kudya mari yake kana andipa..
Handiti ndiri musikana wake? Ndakabva ndatobata
phone ndichibva ndasender message kunaTina yaiti 📩
Ndiwe wandiisira mari muhandbag mangu here ?,
ndangoonawo 50us asi haisi yangu kana usiriwe
ndoda kutoirasa
Ndakabaya send hana ichirova kuti ko kana asiriye
ndorasa zveshuwa here? Apaka kubvunza kwaive
kuda kuziva kana ariye. Pasina nguva message
yakapinda muphone mangu..
💌 eheee baby ndini ndakupa shandisa hako
ndaona kuti ndikakupa muruoko unoiramba
Handina kuda kurasa advise yaLindi ndakabva
ndapindura ndikati
💌thanks honey
Ndakamboita kanguva ndakavhara kumeso neruoko
dziri nyadzi dzekuti ndati honey kunaTina.
Ndakazovhunduka paakandipindura kuti
💌ndoda vana thanks honey vaviri neimwe 100us
yandakambokuisira kuBoterekwa ukazoti
ndimhamha vako vakaiviga musetchel mako
Yhoooo ndakabva ndati forototo kupera mweya
chaiko.. Tina here ? Chete nemadiro andave kumuita
handione hangu pane chakashata kuti andipe mari
yake.. Ndakamutenda ndokuenderera mberi
nemabook angu ndichiverenga mari dzangu..
Mazuva mana akapfuura after ndavimbisa Tina kuti
ndichauya kuzoona mhamha vake, iyewo
aingondibvunza pese pàtaitaura paphone kuti unouya
riini? Kuzonyepa hanzi ndine nyaya yakakosha, mnxiii

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 310 -
! kungoda kuti ndiende kumba kwavo chete... Rimwe
zuva ndakabva kumusika ndichibva ndataimira
mhamha mai Shumba varivega pasink panze.Ndaida
kuti tiite mwinimwini yedu isinganzwike
nabamukuru. Ndakavakumbira kuti ndaidawo
kunoona mhamha vaTina mangwana acho asi
ndakashamisika vachindipindura kuti , ,
"Ndoziva kuti besides kudanana naTina iwe namai
Tina you come a very long way back , vakakubudisa
mujere zvakatadzikwa nehama dzako but
mangwana hazvingaite mwanangu"
Me..."Hii mhamha musadaro, hazviite nei?"
Her." Tine special dinner as a family mangwana
saka ndoda kuti vanhu vakasire kubva kumusika
masikati mozogeza mova smart, dinner patable at
5pm "
Me... "5pm mhamha ? Sei mangwana tichi.."
Her..."Handisi kuramba kuti unoona vamwene vako
mwanangu, kuswera mangwana unoenda kana
tapfuudza izvi"
Panguva iyoyo pane zvakapinda mupfungwa mangu,
ndakabva ndamira kuti twii ndokutarisa mhamha mai
Shumba mumaziso chaimo.. Vakanyatsoona kuti
ndaenda kuresaa nepfungwa ndikanzwa voti.. , ,
" waitwa sei Ropa?, chii mwanangu?"
Ndakambozviudza kuti handichachemi asi apa
musodzi ndakangoona yoyerera.
Mhamha, ndokumbirawo kuti musadzinga baba vangu,
zvirinani mudzinge henyu ini chete ivo vasare nekuti.....
Vakaita kumhanyira kuzondibata muromo chaiwo kuti
ndisaenderera mberi nekutaura..
Ropa, Ropa inzwa mwanangu, dinner yamangwana
haisi yekudzinga vanhu pano. Iwe nababa vako
hapana anobva pano, you are both family okay?

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 311 -
Handidi kuona futi face yakasuwa ine misodzi
kusvika mangwana
Me.... "Ehoi mhamha.. Ndatenda"
Ndakakweva makumbo kahana kachiri kurova
ndichibva ndapinda hangu mumba.
Mangwana acho kumusika taingove naLindi tiri vaviri.
Ndakamboedza kufeya Lindi kuti dinner ndeyei iyi
Lindi akati haanawo chaanoziva.. Zuva raitinonokera
kufamba nekuti taida kuziva chiri kutora nzvimbo.. 3
yakachaya tapedza kurongedza zvese pamusika
naLindi taakutogadzirira kuenda kumba.. Munzira
taingoita maguesses ekuti dinner ingava yei asi
takatoona kuti tingasvika kumba mabhibho azvimba...
Tichisvika paveranda takashamisika nedressing
yakanga yakarohwa nabamukuru vakagara zvavo
kunge vakarova nhamo nembama.. Svutu yavainge
vakarova yaive itsva zvese nebhutsu
neshirt...Takaitiswa chipata pata chekunorefresher
namhamha mai Lindi avo vakanga vakapfeka kunge
varikuenda kumakwikwi emucheno. Nemusoro
ndakashaya kuti vazosara vakarukwa riini ?
Pandakadzoka muroom mangu ndakawana
ndakaisirwa dress idzva rekupfeka nemapush
anomatcher dress. Ndopandakaona kuti saka vanhu
vaviri ava vambopinda mutown for shopping, mhamha
mai Lindi vakaoma zvamunoona.. Pandakabuda
muroom mangu ndichida kunoona mucheno waLindi
ndakashamisika nekuti takanga takapfeka kunge
matwins, ndakashaya kana comment and naLindi
ndakanyatsoona kuti zvese zvikuitika zvinenge
zvamuti vhiringei.. Lindi akandibata ruoko kunge
kamwana kadiki tichibva tananga kukitchen. Food
yacho yaive patable waingoguta mumhino
nemumaziso usati wadya.Table yakanga
yakadecoretwa zvemhando yepamusoro.
Ndakambodemba kuti bamukuru dai vaiona vaonawo
zvavakatarisana nazvo. Takagara as usual asi
musiyano wezuva iri baba vanosigara next naIshe

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 312 -
nekuti vanoti ndiye anondisvitsa zvese zvandoda..
Zuva iri vakagara next namhamha ndopandakaona
shirt yakanga yakapfekwa nababa mukati mebhachi
resvutu kuti yaimatcher nerokwe ramhamha.
Ndakabva ndatanga kunyumwa kana Lindi ainge
ongonditarisa.
Takadya veduweee mafidlongo nyaya dzichitsva
dzingori nyayawo dzemazuva ese. Patakapedza Lindi
akasimuka achida kunotora ice cream yedessert asi
mhamha vakamuti ambomira pane zvatofanira
kuziviswa tisati taita zvedessert...
Matarisiro avakaita baba vachisekerera hana yangu
yakamboti paaaa! Ndikati kuda vaMarufu vave
kuona..Vakabva vati Shumba vaudzei
Baba.."Chingopedzai kani mai Shumba vana
vazvidyire icecream yavo"
Mhamha vakamboshama muromo zviya zvekushaya
pekutangira vachibva vazoti , ,
Kutanga ndinoda kukumbira ruregerero kunaLindi
naIshe, vanangu kubva zvashaya baba venyu tanga
tichingova isu tiri 3.. Rudo rwangu, mufaro wangu zvese
zvanga zviri pamuri and hapana anokutorerai izvozvo
kunze kwekuti ndoda kuti mutambire kuti rudo rwangu
despite kuexpander ruchienda kunaRopafadzo nhasi
uno rwaexpander rwukasvika kunababa vake. I know
kuti maisazvitarisira uye munogona kuona kunge
ndichakurasai kwete vanangu, munoramba muri
pamoyo pangu.. Makore awanda zvamunozivawo kubva
zvatisiya baba venyu, Mwari vandipa umwe mukana
wekuva zvakare murudo.. Lindi, Ropa naIshe, toda
kukuzivisai kuti ini naVaMarufu ava tawirirana kuva
vabereki venyu mese tiri murudo
Ndakasimudza musoro ndikaona face yaIshe
ichiratidza kuzara confusion kunge akanga
asinganzwisise zvaitaurwa. Ndakatarisa Lindi
ndikaona achisekerera akatarisa mhamha vake.
Ukuwo bamukuru vaingotenderedza spoon yavainge

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 313 -
vakabata vachiratidza kusava neshuwa kuti tese
sevana tichazvitambira. Ishe ndiye akazokaruka ati ,
Mhamha murikureva kuti baba havachina
kwavachaenda vave kugara pano zvachose!
Mhamha.."Eheee mwanangu"
Lindi... Mhamha, kubva kare baba vachiri vapenyu
ndaidonha misodzi pese pamaichema.Baba vakafa
ndakatarisira kuti vabereki vangu
muchagadzirisana pamaikanganisirana tikazova a
happy family again asi hazvina kuita sekudaro. I
don't blame baba for anything asi kuti muzovawo
nemufaro in future yaive shuwiro yangu. I can't say
this didn't shocked me but you two deserve to be
happy.. One advise from Advocate Lindi, mukaona
this relationship yenyu isingashande
musashungurudzana just withdraw it quickly
handifare kuona mese makasuwa.. Baba vaShumba,
tichakupai respect yataipa baba vedu and welcome
to the family.. Ropafadzo, I won't repeat
zvandakambokuudza but just a reminder, baba
namai vedu vazviprover kuti we are sisters.
Chaunoda run to Advocate sister Lindi.....

Vanhu vese vakati bvuu kuseka chero bamukuru


ndakaona kuti vasununguka. Mhamha vakandipa ziso
rekuti nditaurewo zvandofunga. Ndaive nazvo
zvakawanda zvekutaura kusanganisira zvekutenda
but ndakakundikana ndichibva ndatanga kuchema
zvekutohwihwidza chaiko kunzwa muviri wangu
uchitodavira nekubvunda.Mhamha vakasimuka
ndokuzondimbundira vachindinyaradza. Ndakanzwa
baba voti, Ropa mwanangu, ndanga ndichifunga kuti
uchafarawo neni zuva ranhasi. Waiti ndichadzokera
kuya here kwatakabva
Me.. Ndafara baba zvekufarisisa asi chete ndanga
ndisina kuzvitarisira kuti Mwari vangatisvitsa pano.
Mwari vakuitirei zvakanaka mhamha

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 314 -
Lindi... Vanotanga vaitira ini nekuti ndini
ndakatanga kuiona perfect match iyi
Vanhu vese vakaseka tichibva tatozoenderera mberi
nekudya dessert pamwe nenyaya tichinakirwa but ini
mumoyo ndaigaya mai Jane kuti vatosara kaa apa! Ko
vakazviziva, mhamha mai Shumba vanopapona
here..Umm ndakakurumidza kuzvisiya ndokupinda
mumafaro nevamwe.
Ndaiti kuda baba vachatama bedroom ka manheru aya
semunhu apinda murudo asi ndakaona umwe neumwe
achipinda maanosirara.. Pandakapinda muroom
mangu kunorara mhamha vakabva vanditevera
vachibva vati Ropa mangwana tine vayenzi
Me.. "Futi mhamha? Ndivanani"
Mhamha... "Vazukuru, mai nababa Shelly"
Me.. "Saka moda kuvaudza zvamatiudza?"
Mhamha... "Eheee mwanangu, vanofanira kuziva"
Me.. "Mai Shelly movaziva mushe here mhamha,
vanonoudza maiguru mai Jane vakaswera vadonha
pano"
Mhamha vakamboseka vakanditarisa vachibva vati,
"uchiri mwanana Ropa haungazvinzwisisi" vakabva
vandiita goodnight ndokubuda..
Vanamai Shelly vatori vanhu vakanga vakagadzirirwa
zvekutozorara kuShurugwi.. Mangwana acho
vakatanga vasvika kumusika vasati vasvika kumba.
Ndakafara kuona vaviri ava sezvo mazuva ati wandei
plus vangogara vari vanhu vandofarira zvavo..Apa
vakanga vakatakura zvekuremerwa chaizvo..
Mbambaira nenyimo hatimboiti zvekupanga
vanotivigira mai Shelly.
Ini hangu ndiri munhu ndajaira mai Shelly zvekuti
chero pavanenge vakaremwerwa muhana
nezvekutaura ndinotovaona. Ndakabva
ndatovabvunza hangu nezvaJane kuti haasati

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 315 -
abatsirwa here vakati havatozivi kwaari. Hana yangu
yakabva yarohwa nehana.. Baba Shelly ndovakazoita
worse pavakati
"kune nyaya kumusha kwenyu uku mainini asi isu
chiregai titungamire tozokuudzai manheru mauya
kumba"
Hezvooo ndakaita kunge ndicharongedza ndikaenda
navo, zvekurembererawo moyo ndombozvida here
ini!
Takasara naLindi tichiseka zvedu mawanziro anoita
mai Shelly, panguva diki yavakasvika pamusika
vakanga vatotaura twakawanda wanda..
Zvese zvaingunoitika izvi kwandiri zvaiita kunge
zviroto. Dzimwe nguva ndinomboshaya kuti Mwari
vakaonei panavaMarufu namai Lindi.. Mai Lindi
ukavatarisa chero pachimiro chaipo mai Jane
vanopinda katatu apa munhu ane zvunhu zvake
vakasiirwa twunhu twavo nemurume wavo.. Kuita
musika uku munhu akajaira kubata mari mazuva ose
asi ivo pachavo vatori munhu ane twunhu twake
zvekuti unobva watoshaya kuti saka panababa vangu
vasingaone vasina kana help vakabwaira sei ? Chete
nematsvinyirirwo avaiitwa namai Jane zvakakodzera
kuti vadiwewo ndivo vadiiwo!

End of chapter 33

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 316 -

CHAPTER 34

VAMARUFU

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 317 -
Zvimwe zvunhu unomboti ukarangariraso unochema
murume mukuru.. Kare pandaive Abel Marufu chaiye
akaperera ndaisagona kana kupa bofu kana steetkid
zvayo sirivha riri muhomwe mangu. Ndaiona kunge
vamwe vavo vanozviitisa kuvhara maziso zvenhema
kuvandira macoin evanhu. Nhasi uno ndini bofu
rakapotsa rafa nemuchetura ndikaita zvekubva
pamusha pangu ndichitiza.. Mwari vanoda vanhu vavo
zvamunoona.. Nguva haimanikidzwe uye haidzorerwi
kumashure, dai zvisizvo ndaikumbira maziso angu
kumusiki chero kweawa rimwe zvaro ndimboona
chiso chaMiranda.. Mukadzi akandisarudza neubofu
hwangu pavarume vese vane meso maviri maviri
vamwe vanofamba nemagadziko vamwe vane mhanza
dzinosvika kugotsi dzemari kwete kupera bvudzi
nekwashi.. Dzimwe nguva ndinombopererwa
nemashoko ekutenda nawo musiki.. Dzimwewo nguva
ndinomboona kunge mai Lindi achasvorwa nehama
dzake kana kusekwa neshamwari nevavakidzani
ongokaruka andiramba.. Ndiri murume ndinoziva
zvinoitika murudo.
Ndakafara chose nekutambira kwakaita vana vedu
vese zvavo kufambidzana kwedu. Ropa ndiye akanga
ondidzorera ndangariro kumashure nekuchema
kwaakamboita. Haisi mhosva yake kana ini baba vake
ndakambochemawo asi chete ini handichemi vana
varipo.. Ndoshaya hangu kuti iye akati pane zvimwe
zvisingafaniri kuokerwa vanhu vachizviita ndiani?
Chokwadi ndaidana mai Denis ambozoona vanonzi
vakadzi vanoziva kubata murume.. Unopusa kani kuita
kunge uchahwihwidza wakabata gotsi, wabatwa
chaipo naMiranda..Regai ndinyarare zvangu mozoti
bofu riya rapanduka. Takawirirana namai Lindi kuti
kana tasvitsa nyaya yedu kuvazukuru
ndopatichatanga kushandisa room imwechete inova
yandiri kushandisa ikozvino sezvo iye akati haadi kuti
tishandise bedroom raaishandisa nababa Lindiwe..
Ndomuchange maakurara Ishe..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 318 -
Ndaifunga kuti ndini ndega ndine nyaya ichafadza
vazukuru handina kuziva kuti ivowo vane ichafadza
ini. Hehedeee mwana wemuera Shumba zvangu, ko
taiona vanamai Jane kupaparika tikati kuda huchenjeri
kaa ko ndakaziva kuti utununu? Bhanabhasi pavarume
vese here varimunzvimbo, handioni hangu asi pese
panotaurwa zvaBhanabhasi ndinobva ndaona rume
rakasakara rakaunduka rakapera basa. Ivozve
vanamai Jane ndovaimbotaura kuti mvana
yaBhanabhasi yafa yaanga achigara nayo
vachitodemba fani kuti yamudirira chirwere nhasi
ndopovonokamburawo ipapo mai nemwana? Kana
vari mai Jane vakakutwa nechirwere chagara chiri
munaBhanabhasi chaJane chaakawedzerawo pazana
hachivakute.. Zvimwe zvunhu hautsamwe hauseki
unongoti nazvo tuzu.. Ndakambopererwa zvekushaya
kana comment.. Makore ese aya mai Jane
vachindirarisa ndega kandi vaichengetera
kuzonyadzisa kudai pasina kana mwedzi mishanu
ndabva pamusha? Ndakapatitswa mupfungwa idzi
namai Lindi vakakaruka vati ,
Idambudziko rapinda mumusha iri Shumba.
Motombopinda munzira kuenda kumusha
munoona makuvariro akaita gumbo iri rinogona
kunge rakavhunika zvavanonzi havagone kufamba.
Nekunoona kuti Jane awanikwa hazvina kunaka
kuti asazikanwe kwaari nepamuviri pakura kudaro
Ndakapotsa ndakoromoka pachair pandakanga
ndakagara. Ini zvakare kudonzva mumabwe muya
ndichiti ndonoona gumbo ramai Jane vakapondwa
nemwana wavo vaparikana pachikomba? Chero iye
Jane wacho ndomutsvaka ndinoona here ini!
Ndakangokaruka ndati,
Mai Lindi!, handina kumusha kwandoenda ini. Jane
namai vake vakachenjera vaya, samai Jane
akasimba anopora manje manje. Munhu akauraya
mwana angarwadziwa negumbo here haiwa tisiyei
zvedu ! Kana ariJane chero akarasika
akasawanikwa zvachose handishayi hope
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 319 -
nazvo..Dai asiri Ropa Jane akanga andisainira
kuvanhu vaasingazive ko kana ndaibiwa
Imba yese vanhu vakamboti guu kuseka. Ndozvandoda
kunzwa vanhu vachiseka kwete kuti titaure dzanamai
Jane. Havasati vatanga vaya siyai zvakadaro.
Mai Sheri wo muzukuru wangu kana aona sekuru vake
hapana chaanoda kusiya kubudisa, kangamwei kuti
ndini ndavadana kuno kuShurugwi? Ndakazokosora
kosora zvangu sababa varimumba mavo ndichibva
ndati,
Muganhu nemudzimai wako, tisu takudanai kuno
vazukuru ini namai Shumba ava. Zvamunoona
vazukuru Mwari havarongerwi asi vanorongera..
Isu tine mufaro muchitiona takadai
nezvatakarongerwa naMwari...
Mai Sheri...(vachiganhurira sekuru vavo) "
Murambwi ingotii gaa ka imi seni ndotonzwa sofa seriri
kufamba neni muno mumba, dzungu rekuda kunzwa
nyaya"
Me...."Makagara kudai vazukuru makatarisana
naShumba namai Shumba " (ndakanzwa ruoko
rwamai Lindi rwuchipinda mukati merwangu
ndikanzwa nemuviri uchidavira ndichibva
ndatobatisisawo kuti zviendeke)
Me.."Uyu wandakabata uyu anonzi Miranda vazukuru,
mbuya vatsva....."
Heeeeee, mhaaaaa! matiii
Akavhundukira mai Sheri ndaitomunzwa kuti asimuka
zvino amira netsoka dzake mbiri
Me..."Eheee vazukuru ndozvavapo, vaudzei
vazukuru mai mwana"
Mai Shumba..."Ndine urombo vazukuru mogona
kusazvitambira asi sevanhu venyama
zvakangozviitawo zvega tikatadza ku......"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 320 -
Muganhu..."Mbuya, mbuya mirai izvozvo. Hamuna
mhosva yamakaita asi kuti ini ndichiri kudzeya
muchindiona ndakanyarara kudai, zvogona
kunditorera nguva yakati ooh kuti ndibvume kuti
ndozviri kuitika pano. Munovada sekuru nemoyo
wenyu wese here ! Ndoda kunzwawo zvichibuda
straight mumukanwa menyu"
Me... "Haaaa muzukuru ungabva wadaro here?"
Mai Shumba. "Aiwa baba Ro, muzukuru ari right.
Anoda kuziva zvaanofanira kugara achiziva
panasekuru vake"
Imba yese yakambonyarara pasina kana ainzwikwa
kufema ndikambofunga kuti vanhu vese vafa ndasara
ndega, kushaya meso kwakaipa shuwa.Pave paya mai
Lindi ndiye akazoti vazukuru, dai ndiri kuita
mahumbwe pano pamba pangu ndaidana
shamwari dzangu dzandotamba nadzo kuti huyai
tibike mahumbwe pano asi nekuda kwekuti
ndakura, kutamba ndakapedza ndosaka muripano
imi vazukuru vaVaMarufu.. Ndoda kuti
muchidzokera kumba muende makabata iri, sekuru
venyu ava ndinovada. Handina kuvasarudzirwa,
ndakasarudza ndega. Dai ndirini ndisingaone ivo
vachiona nhasi uno zvingadai zvichinetsa
kutsanangura. Ndoziva zvavari, ndovada vakadaro.
Meso angu aya ndoachavawo avo..Imi futi vazukuru
vavo mavewo vazukuru vangu
Mai Sheri ane misikanzwa, ndakanzwa odzana mumba
achiridza mhururu, akapembera chokwadi ndikanzwa
manyukunyuku ndaiti vachatadza
kuzvitambira..Sezvo taingova vanhu vakuru tega
nyaya dzevakuru hadzipedzi zuva kaa takataura
tikasvika patakagutsikana tese kuti tavaka ukama
hwedu hwakasimba. Mai Sheriwo futi, patakanga
tagara hedu patafura todya lunch ndakanzwa oti ,
saka sekuru, mouya riini kuzodzinga mbuya mai Jane
pamba paya, vatinyadzisa mhani ngavaende!

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 321 -
Me..."Haaa munhu haadzingwi pamba pake
muzukuru, ngavagarepo varikutoita zvakanaka.
Kana pane vaisvora kubva kwandakaita pamba
ndofunga vachinja musoro wenyaya mazuvano"
Mai Sheri..."Kana ndirini zvangu ndonzwa kuda
kutovapura neshamhu, nhai mukadzi mukuru akadaro
angaita zvinonyadzisa kudaro?"
Mai Shumba.. "Munhu wese anotadza, varegei
varipamba pavo havachazviita kani muzukuru"
VanaMuganhu nemudzimai wake vakazorongedza
kuti vachidzokera havo sevanhu vainge varara vasiko
kumba kwavo.Ndakanzwa mai Sheri odamwa
nambuya vake ndikanzwa vogudubudza variko
kudzimba dzemberi uku hameno zvaiitwa.. Yaingove
mwini mwini hapana zvataimbonzwa zvaitaurwa ini
naMuganhu taive takagara hedu musittingroom...Pave
paya vakazooneka havo ndokumbirawo ini ndikati
ndimbonozorora ndakarara hangu semunhu
akanonoka kurara usiku hwainge hwapfuura
tichikurukura hedu nevazukuru... Pandakanoti
pamubhedha pangu ndakawana vachiita kunge paiswa
magumbeze echizvino zvino akapfavirira ainhuwirira..
Ndakabata bata kudai ndainzwa kunyerekedzwa
kupfavirira kunge mambava ekatsi. Ndakabva
ndazvambarara hangu nemanhede. Ndakarara kudaro
ndikambofunga kuti kuda kugwedebudza kwanga
kuchiita madzimai aya vanga vachibatsirana kutamisa
mai Lindi mubedroom mavo.
zvinodaro nekuti mai Lindi kana vasangana namai
Sheri vanonzwana mukutaurirana
Pasina nguva ndakanzwa vanhu kutaura vachisvika
pamba. Ndakateerera mazwi ndopandakanzwa kuti
vanamai Sheri vadzoka zvakare. Ndainzwawo nezwi
raRopa ndakashaya kuti zvaita sei ?.Ndakati
vharavhazu pamubhedha ndokunhonga tsvimbo
yangu ndokunanga kusittingroom.. Muganhu ndiye
akanditambira nemashoko ndichangopinda
musittingroom akati
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 322 -
sekuru muchiona tadzoka kudai tati tipfuure
nekumusika tichioneka vanamainini Ropa
ndapatasvikirana na.......ndosaka muchiona
tadzoka kudai...

JANE MARUFU

Kukura kwangu mhamha vangu ndaivada nemoyo


wangu wese. Kupinda mumakorokoza ndichiri
mwanana ndichishanda kwaive kuedza kupedza
kutambura kwamai vangu nekuti ndaiona kuti hapana
angabatsira sezvo baba vachingoswera vakagara
vakatarisa mudenga vachingosvaya nhunzi
nemuromo.. Pese paitukwa mhamha vangu nababa
ndairara ndakazara nehasha zvekuti kusangoputika
usiku dzaingovewo nyasha.. Baba ndakavenga kusvika
pekupedzisira nekuti chavanogona kurova vanhu
netsvimbo pamba, vanhu vanovaritira vanovashandira
kubva kumunda kusvika pane zvese kuti vanzi
vaMarufu. Ndosaka ndaida kuti vabve pamba vaende
handina basa nekuti vaiendepi chandaida chete kuti
vabvee!
Kubva zuva rafa Deni mhamha kwandiri yave
sasipekiti, ndaimbonzwa kuti vakaroya munhu akafa
ndaiti kunyepa asi ikozvino ndaakuona kuti vanouraya
mai Jane...
Pandainge ndakamira pamusuwo paBhanabhasi dai
ndakangonzwa mubhedha uchiridza gitare ndingadai
ndisina kusara ndopinda mumba maBhanabhasi
ndapedza kuchera guva ramai Jane !. Kunzwa mhamha
vangu vachinakirwa naBhana wangu kwakandipa
hasha ! Bhanabhasi munhu wangu wandakawirirana
naye ini uye zvaari ndozvandiri , sei mhamha
vasarudza kurara nemunhu anomwa mapiritsi

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 323 -
nemabatikaniro avakaita pandakabatwa chirwere?..
Ndakanjeva ndichitsvaka chekupondesa mhamha
pachivanze paBhanabhasi asi ndakashaya, ndakaona
kunge ndinganonoka nekuti vairatidza kuti zvinenge
zvaiti wedzerei kuvazipira saka ndozvandaida
kukasira kuganhura izvozvo.. Mhamha ndakavaponda
gumbo nesimba rangu rese. Maririro akaita gumbo
ravo ndakati kuda rapeduka kuita zvipenga zvipenga..
Ndakamhanya murima zvekuti kana ainditevera
aisandibata. Mhepo yakandibatsira nekuti
yaivhuvhuta ichienda kwandaienda, musiyano
ndewekuti iyo yaiziva kwayaienda ini ndaisaziva..
Ndakarara muchirindo chekumunda kwedu chatogara
kana takarinda makudo netsoko kumunda.. Ndakarara
ndichingorota mapurisa achindikweva kubva
muchirindo imomo. Kwakaedza ndatobuda ndave
paroad ndamirira chaizotanga kusvika kuda ibhazi
mota kana ngoro hameno ikoko. Drama rangu ndainge
ndapedza kurironga kare.. Ndakawanawo kamota
kaienda Gweru ndikavachemera kuti vanditakurewo
ndiende kuShurugwi kuchipatara mwana wangu anzi
haana kugara zvakanaka..Nekuona zidumbu rangu
ndikati ndaive ndisina kurishongedzera muteneti
vakabva vanditakura havo.. Kutaura chokwadi
Shurugwi handiizive.Kana kune chipatara
chemuShurugwi handitokuzive ndakangoburutswa
kuda vaifunga kuti ndoziva kwandiri kuenda..
Ndakaswera ndichimbeya hangu ndirimo mutaundi
ndichiona zvakasiyana siyana.. Ndakazoswera ndave
nemashamwari andakaona achinhongera mumabin
ndikajoinawo ndaidii nenzara yandakanga ndinayo..
Upenyu hunoraramiwa nevanhu vanonzi zvibhonda
vaya ndohwandakararama kweSvondo rese.. Pakurara
usiku inonzi pusawapusa hapana chekutenderana
kana kubvumirana kungoona zvotoitika apa dumbu
ndoranga rave kundikurira rakurisa asi hapana
zvandingaiita..
Masikati panambuya vandaiwanza kufamba navo,
rimwe zuva vakanditi hande tinotsvaka mabhanana

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 324 -
kune vamwe mai vanosivapa mahara. Kufamba
dzaingovewo shungu asi dumbu rairema haro..
Takafamba takananga kumabhanana. Kana usina
kujaira taundi unongofamba kunge bofu
usinganzwisisi kwauri kuenda... Takakaruka tasvika
paneumwe musika.. Pandakasimudza musoro
ndakaona Ropafadzo akanditi ndee akapeta maoko
akanditarisa akanyatsomira parutivi pangu.
Pakutanga ndakamboda kumuurukira nembama kuti
sei andiona ndine tsvina yakadai asi pandakazonzwa
odamwa neumwe musikana akanga akaita musalala so
achimuti, mainini Ro mayeverwa neiko macustomer
akamira ayo ndopandakada kuziva kuti zvirikufamba
sei? Ropa akabva aenda pamusikana uya ndokubva
vazevezerana ndikaona musikana uya onditarisa..
Mapfekero avakanga vakaita akanga akafanana, vaive
vakapfeka matrouse ejean nematop eblack vese..
"Hesi Janet "
Akandimhoresa Ropa akatarisa padumbu pangu.
Ndakambonyarara kwete kuti nekushaya mhinduro
asi ndaishaya kuti ndotanga kutaura zvipi?
Zvandakaitwa namhamha here?, Kuti ndirikugara
musango here kana kuti ndine nzara?
"Hevo Ropa urikuitei pano?"
ndakataura ndisina kufunga. Ropa akanzi aakutengesa
musika, kureva kuti ini ndini ndasvika pabasa pake..
Her.."Ndingatobvunza iwe Jane kuti urikubuda nepi
sezvo kumba wainzi hauonekwi?
Ropa akaratidza kuziva nyaya yangu saka kuti
ndibatsirike ndaitofanira kumuudza chokwadi
chakaitika...Pandakada kutsanangurira Ropa
zvakaitika ndakakaruka mai Sheri vamira kumberi
kwangu vakatarisa dumbu rangu.. Ndakamboda kutiza
asi zvaisandibatsira ndainge ndatononoka..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 325 -

End of chapter 34

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 326 -

CHAPTER 35

MAI SHELLY

Unonzwa munhu achiti kana atambura zuva


rimwechete oti vakafa vakazorora, rinondinzwisa
hasha statement iroro! Vakazororora kwavakaenda
unoziva kuti kwakamira sei? Ini handidembi kuti
Mwari dai vandizorodza , ndigoonerwa nani madrama
epanyika pano.. Ndingatonamatira makore akawanda
panyika...
Mbuya mai Jane handivavengi asi maitiro avo so
anongondipedza hangu. Havatange vafunga vasati
vaita zvimwe zvunhu... Takati kuda sekuru zvavabva
kudai pamusha zvinhu zvichaendeka zvavasara vane
meso vanoona ka ivo naJane wavo..
Zuva randakanovaona mbuya mai Jane ndainge
ndisingafambire gumbo randakanzwa kuti rapeduka,
ndaida kunoona chiso chinosiratidza ungwaru kuti
afta chiitiko chavo chinonyadzisa kudai naBhana
chicharamba chakachenjera here? Mbuya vangu
vanondikona ini, kana vakabhaiza vakabatwa
vanopusa chaiko unowana vopindurapindura meso
kunge mhembwe yakutwa nebhazi reNyaradzo
mwedzimuchena... Zvakaoma hazvo... Ini mungati mai
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 327 -
Sheri anovhaira navaMarufu, ehee sekuru vangu
handidi navo nekuti ndinopupura chero ndakagarwa
madhunduru nezvidhoma zvambuya mai Jane apa kuti
sekuru vaichengeta mbuya mai Jane zvemhando
yepamusorosoro.. Ikozvino vanofamba
vachikwekweredza dumbu sedzetse nemari
dzasekuru ka ndodzakavapa zimuviri rese riya ivo
voda kuona kunge maiguru vavo Jane
ndovakavachengeta zvakanaka fani nemari
dzemumakomba emuboterekwa..Havo nhasi uno
voponderana guva rine makumbo rakaita
saBhanabhasi uya gegegeeeee seka zvako mwana
wemuyera Moyo..
Patakasheedzwa nasekuru kuShurugwi nababa Shelly
takambofunga kuti pamwe mai Shumba vaakuda
kutidzorera sekuru vedu, chokwadi takambotambura
fani kuti kunei asi pandakazofonerwa namai Shumba
vachindiyeuchidza mhodzi dzederere rechipodzi
dzandakanga ndambovavimbisa vachiri vanoda
kudyara ndopatakaona kuti kwakanaka haisi nyaya
yekutadza kugarisana.. Ndakatononokerwa nekusvika
panasekuru ndivaudze makunakuna akaitwa
nemwana wavo nemudzimai wavo. Handifariri kuona
amwe madzimai achisiyiswa dzimba dzavo asizve
handifariri futi madzimai asinganzwisisi kuti hakuna
munhu anokoka urema kuti huya nepandiri...
Sekuru ndovafarira zvekuti ndowana hope kana vane
mufaro.. Dai ndaive nemari mai Shumba
ndaivatengera ndege vakafambira mumhepo chaimo,
kwete nekuti vakanzwira sekuru vangu tsitsi kwete,
vaMarufu kushaya meso chete asi havanzwisi tsitsi.
Ndaivatengerera kuti vakaprover mbuya mai Jane
wrong.. Vanamai woyeee, usafa wakaitira murume
rough uchiti rubaba urwu nekuti ukazoona
akaberekwa netauro achibudiwa naye
mubathingroom achinzi
"daddy mazuvano muviri wangu wakadzikira
hamusi kubaiwa nemapfupa here kumusana uku"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 328 -
chokwadi unodonha ukafa.. Shandisai mukana
vanamai mudzimba umu..Inzwai neni ndisingagone
kunyepa, mai Shumba pane zvemukadzi manzwa?,
mbuya mai Jane havana kana bufuu ende
handimbotadze kunovaudza kuti sekuru vave kugara
kuparadhiso yepaShurugwi apa.
Mai Shumba vakati semuzukuru ndivabatsire kututa
vachienda muroom munorara sekuru. Ummm
veduweee mukadzi ane mbewu yese yegumbeze uya.
Ndakademba kuti dai sekuru vaionawo vaona
zvishamiso zvavatarisana nazvo muimba yemukati
umu. Mbuya mai Jane sorry kwasorry..Takarongedza
zvedu tikachinja order mumba mukasara
mongoshaina kunge room yepahotera, ndakatoona
vision hangu yezvichaitika manheru acho.. Moyo
wangu wakamboda kurwadzirwa mbuya mai Jane asi
ndakakasira kuupfekedza zijasi chairo..
Kusangana namainini Jane kwatakaita kumusika
kwakandirovesa nehana. Nezvandainge ndasiya
ndarongedza kumba kuya handina kuda kuti marara
akaita saJane anopfuvisa usiku.. Chakandivhundutsa
idumbu rake, mimba kana yasvika ndoiziva ini asi iyi
maremberero ayakanga yaita ndakanyatsoona kuti
kusvika kwayo uku.. Kureva kuti mainini
vakanonyoresa nhema kuchipatara, izvo zvipatara
zvedu izvi zvisina kana mascan. Meso amainini Jane
airatidza kucheneruka kuya kwemunhu asina utano
hwakati tsvikiti. Ndakavakwazisa vakaramba
vakanyarara, hanya nani takaoneka vanamainini Lindi
namainini Ropa tichibva tambopiwa 2rita yekoko
yavakanga vatitengera yaitonhorera ndokugara zvedu
pasi todutira zvembuva yerwendo nabambo
vekwangu.. Mugoona mbuya mai Lindi vaida
kusvikawo kumusika nesu asi vakadzoswa munzira
nevamwe mai vekuchurch kwavo vakati vaende vese
kunoona chizukuru chamai ivavo chairwara.. Pamwe
vangadai vakazivana naJane aizobatanidza one naone
akabuda nenhema dzekunoudza mai vake rimwe gore.
Ini ndakati Jane muShurugwi handimbomusiyi

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 329 -
ndatombomuona kudai anosara achiitei ndokuvabata
ruoko ndikati munhu kutaxi yekumba izvozvi..
Simbawo rinani ndakagwinhwa zvangu kunge
ndichadonha munhu otiza ndokusiya zvakadaro..
Akambosvikepi takaona otsatsarika seoda kudonha
baba Sheri ndovakamhanya ndokunomubata wanei
nemvura yatoputika. Lucky pedo nechipatara hapo
paya apa kana chinhu chimwe chete painge pasina.
Takangonovasiya pachipatara namainini Ropa tikati
haatofaniri kuziva zvekwaShumba.. Hapana
pataizoenda kumusha tichisiya munhu arimuchipatara
takabva tatotakura mabag nekutodzokera kumba
kwaShumba kuti tinoronga kuti todii kuti kuseni
awane zvekuputirisa mwana agone kubuda
muchipatara tigoenda naye. Zvunhu zvacho
zvakangoitika chimhurepure zvekuti chero chimbuya
chaakanga anacho handina kuona kuti
chakanyangarika nepi ?
Usiku uhwu hwaisada nesuwo vekumaraini asi hapana
pataisiya Jane muShurugwi tichidzokera Unki, mai
Lindi vakanyanya kupfava ndinovatyira, vangasara
vakatora Jane vakarongedza mumba
zvikazopandukira tese mangwana. Jane chese
chaabata chinovora..
Mai Shumba moyo wavo handiunamatire ende
handiude , patakanovatsanangurira zvatidzosa
vakabva vatomhanya mhanya kuti pawanikwe tauro
nezvihembe zvekuti abude muchipatara. Asi
vakaudzwa zvandakafarira nabba Sheri kuti musafa
makaita mistake yekuunza Jane pano..
Takazomukira nababa Sheri tiri vaviri tikati
vanamainini Ropa vozouya kumusika kana tabuda
naJane muShurugwi. Takawana akarara zvake parutivi
pezimwana rake zigomana ungabvuma here kuti
mwana waJane ?.
Akazobudiswa tikati chekumirira hapachina
taakutononotsa vanhu kuronga misika yavo. Taisada
kuti aonane namainini Ropa aizoramba kuenda

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 330 -
kumba. Ndovamwewo vane moyo wakapfava mainini
vangu vaya

ROPAFADZO

Dzimwe nguva kana ndakarara ndinombopepuka


ndichivhunduka kuti zvunhu hazvina kuchinja here
ndakarara nekuti ummm upenyu hwangotichinjira
nababa vangu sekutamba and nanhasi handisati
ndabvuma kuti zvirikutoitika... Rudo rwababa namai
Shumba runongondirovesa nehana ndikafunga mai
Jane. Imagine vakasvika pamai Shumba vakawana
takanyura murugare kudai handiti neniwo
ndobatanidzirwa, ndinotonzi ini ndinoona ndini
ndakatsvakira baba mukadzi..
Kusvika kwakaita Jane pamusika kwakandipedza
mufaro wandainge ndinawo. Veduweee kutaura
chokwadi kubva zvataziviswa nezvamhamha mai
Lindi nababa tineumwe mufaro naLindi naIshe
usingatsananguriki but matanyera anonzi Jane akauya
nemop remutoilet akaukorobha wese pachiso changu..
Type yaJane namai vake haisi yekuti kana uripairi
unobwaira, bodoo unoparadzwa nevanhu vaviri ava.
Ndakamboda kuroveswa hana nekurembera kwainge
kwakaita dumbu rake asi ndakambozviisa parutivi
Jane haasi munhu wekunzwira tsitsi ndiwe unonyura..
Zvese zvekuzoenda kwake kuchipatara ini ndakanga
ndisisinei nazvo chandaida ndechekuti vanamai Sheri
vasamusiya muShurugwi uye asaziva patogara..
Jane ave nemwana wake mukomana now akadzokera
kunamai vake apa ini kumusika handichagarisike
ndangomirira kuzobvondorwa namai Jane, chero
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 331 -
vakauya vakandirova pamusika handinei nazvo asi
kunabamukuru handivaudze vangatouraya. Hameno
kumusha ikoko zvakwakati zii kuti vakanotaurirana
kutii maiguru namainini vakadzi vaBhanabhasi.
Kubva pakaenda Jane nanamai Sheri kumusha
takasara tese tichienderera mberi neupenyu..Baba
namai Lindi ndovatongoona hedu mumba vachiita
semateenagers. Baba vangu ndaisazivawo kuti
vanobvumiwa nerudo ndaakutozviona ikozvino,
kubva vaita kakomana chaiko.. Ndozvifarira sei hangu
ndobva ndanzwa kugarika mumweya chaiko kuona
vachitamba chikudo..
Tina haana kumira pressure yekuti ndiuye
kuBoterekwa.. Ndakazokumbira mhamha ndaona mai
Jane vachinonoka kuzondirova ndokuenda hangu
kwamhamha vaTina, ndaida kunoona naChido zvese.
Mai vaTina vakafara veduwee pandakasvika..
Ndakawana mwana wavo arikugomo asi vaiti anouya
kutea kumba.. Takakurukura twakawanda wanda asi
pakazondikona vakandibvunza nezvedhayimondi
ramai Jane ravaiuya kuzopengera kugomo
ndikavatsanangurira kuti ini ndini ndakatobirwa ivo
handina kumbovabira asi hazvina kundibata mushe
ndaiona kunge mai vaTina varikundipumha umbavha.
Zvese zvekunhonga kwangu chitombo kugomo
vakazvibvunza ndopandakavaudza kuti zuva racho
ndakatoona zinyoka zihombe parakabva
ndopandakaona katombo ikako parainge rakaungana..
Vakambonyarara vakanditarisa ndikati nechemumoyo
ndagona ndikavaudza zvezinyoka vanyararakaa
vaakutya! Kutaura chokwadi ndaitoona kunge
vasingachavimbi neni apa vairatidza kuti vakaudzwa
zvese naTina zvandakamuudza zvekugomo.
Tina akazouya hake tave kumwa tea nembambaira
tachinja nyaya. Akafara kundiona , kusvika achindipa
hug mumba munamai vake... Takapedza kumwa tea
zvakanaka ndikanzwa mai vake voti
vachambonochera mvura. Ndakasimuka ndichida
kuenda navo kuti tisasara tirivaviri naTina ndakanzi
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 332 -
naLindi ndisagare mumba nemukomana tiri vaviri..
Ndakanzwa mai vake voti,
sara zvako mwanangu ndodzoka izvozvi Tina ane
zvaanoda kukurawo newe
Takasara takatarisana naTina sezvichongwe
zvechiIndia zvaneta kurwira hwiza yakaora..
Pakabuda mai vake naiyewo akabva ati timbobudawo
titasamure tsoka. Aaah dzei nhai munhu arikubva
kubasa. Ndakangosimukawo ndikatevera. Takasvika
panerimwe gomba hana yangu ikarova kuti dai Tina
arega kubatwa nemweya waGari wekumakomba.
Akatanga kufukunura mugomba muya ndokubudisa
shizha recabbage rakanga rakatsvukuruka
richitonhuwa kuora.. Akanditambidza akati ndibate..
Me..."Ririkunhuwa Tina icabbage ka iri, munei
mukati!"
Him. "Hande kumba tonovhura tave kumba"
Ndakanetseka nezvaiitika asi Tina aingosmiler
ndakashaya chiri kutora nzvimbo. Cabbage riya
ndakanga ndakaribata kunge ndakabata ndove
yemunhu chaiyo ndaisada kana kuti rindigumhe
pahembe. Takasvika kumba ndokugara hedu Tina
akanyatsouya kuzogara akakwatidzira pandiri.
Ndakaita kunge ndichapoya pamadziro ndikatiza
ndave kufunga kuti ko mai vake vakawana takadai.
"Ropa, vhura shizha iroro uone zvirimukati then I
will explain...akadaro Tina ave kuratidza userious.
Ndakavhura cabbage riya maoko angu achiita
kakubvunda. Ndakarohwa nehana zvekuti dai
ndaisava kumadziro ndingadai ndakauruka. Mufaro
kushamisika zvese nemisodzi zvakasangana pachiso
changu..
" Dombo rangu Tina wakariwanepi? Iri nderangu chete
ndiro randakabva naro kugomo iri ndaida kuriisa
pamakuva ana..."

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 333 -
Tina..."Shhhhh Ropa, usachema.. Hongu kadombo
kako aka babe, cabbage iro ndakaritora pamusika
pako.. Mai Jane vairevesa kuti pane chavo
chaunacho asi kuti vaisaziva kuti chii chaicho
chinhu chacho...."
Me..."Tina!!! Hakasi kadombo kamai Jane aka
ndekangu!"
Tina.."Calm down nditsanangure Ropa. Kadombo
aka wakakanhonga kugomo nhaika?"
Me..".Eheee"
Him.. "Wakanoisa mumba uchiti kadombo
kedecoration mai Jane vakakatora vachiti idiamond
rakauya naDeni kumangoda kwaaive uko
kwaakazouya ofa. "
Ndakambochindura maziso ndichiona serious yaive
naTina apa zvaaitaura zvaimaker sense..
"Right Ropa, mai Jane vakatora kadombo aka
vakakaviga muhandbag yavakapiwa naChido kuda
vaizoda kutengesa... Chido akatora handbag
nekadombo zvese asingazive akazokupa, kaive
muhomwe yemukati kubva zvawakagara nehandbag..."
"Huh" ! ndakaita zvekuvhundukira nekuti
chokwadi ndaitoshaya kuti Tina arikuzviwanepi?
Him. "Yhaa Ropa, pandakauya Shurugwi paya ndaida
kuisa mari yawakazoona iya muhomwe yehandbag
yako sezvandajaira kuita nekuti unoramba mari kana
ndakupa muruoko, ndakambozviita kuBoterekwa
pa$100 yawakazoona musetchel iya.. Ndakaona
kadombo aka ndikaona zvakangwara kukatora
ndozokutsanangurira kuno kusina vanhu vakawanda
uye tiri vaviri asi mhamha vanozviziva. Ndakaona kuti
ndikakasiya waizokaruka wakabudisa pavanhu
ukapondwa nemaShurugwi."
Me.. "Kuti ndavaita sei?"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 334 -
Him. "Ropafadzo, aka hakangoriwo katombo kekuisa
pamakuva kana kekudecorater mumba sezvaunofunga
igold iri"
Me..(shocked)" watiii?"
Him.. "Goridhe Ropa ratoswera tichitimba tichitsvaka
kuBoterekwa ndirori rawakabata muruoko rwako"
Kubva zvandakabata kadombo aka ndakanga ndisina
kumbokatarisisa asi apa ndakaita kanguva
ndichikaongorora ndopandakatanga kuona kuti
chokwadi hakuna dombo rakadai..
Tina.. "Ropa, ongorora kadombo kako kana pane
pakapedurwa kana kuti pausinganzwisise
undiudze"
Me... "Aiwa Tina ndizvo zvakaive kakangoita. Saka
igoridhe iri!!!, ndonopa mhamha mai Lindi nababa.."
Mhamha vaTina vakabva vapinda asi ndakaona kuti
zvandataura vazvinzwa nekuti vakangotura mugomo
ndokugara pasi vakati ,
"Ropa mwanangu, iyi imari yakawandisa chaiyo
zvekuti inoda kuti ugadzike hana yako pasi
wofunga zvakadzama uye ini hangu ndoona sekuti
umbotora time yako ugadzikane wozosarudza
zvaunoda kuita nemari yako asi kana uchida
rubatsiro rwabuyer Tina uyu anokutsvakira buyer
watosishanda naye anotenga zvakanaka ouya
kumba ozotengera pamba kuchengetedza kuti
usakuvadzwa nevanhu.. Usaita zvunhu usati
wagadzikana mwanangu.. Panoda hana apa
usafamba uchiudza munhu wese wese nekuti
goridhe iri wakaripiwa harina kungonyuka rega iri.
Ndosaka ndabvunza zvekugomo paya.
Matsananguriro awaita anoratidza kuti wakapiwa
nemasango, boterekwa rinoyera uye ndomakafira
vabereki vako usati havakuone uchishava..."

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 335 -
Ndakambonyarara ndichidzamirwa nemashoko amai
vaTina uye ndakaona kuti vanorevesa nekuti nyoka iya
zvayakaita handina kuzvinzwisisa.Ndakakaruka ndati
,
Me..."Mhamha ini ndaakutotya chero goridhe racho
saka better Tina ambosara naro kana ndagadzikana
ndouya hangu"
Tina.. "Umm Ropa goridhe rine muyedzo ko
ndikatiza naro!"
Me..."Hameno naMwari wako Tina asi ndatovimbawo
hako iwe namhamha nekuti zvimwechete, imi ndimi
vanhu vandakatanga kuziva ndisati ndaziva mhamha
mai Shumba saka handizozive kuti ndikasvika naro
kwavari vachaitawo sei pamwe hana yavo haina
kugadzikana seyangu toporonga iwe wanga
wandigonera hako kudaro."
Tina akamboramba kusara nekadombo kangu asi
ndakamuvimbisa kuti ndaizodzoka mumazuva mana
aitevera. Mai vake ndovakazotaura naye vakamuti
ngaandichengetere ndigouya ndotora. Chido handina
kuzomuona ndakabva ndadzokera ugoona ndaida
kunzwa zvaJane kuti akazosvitsana papi namai vake...

End of chapter 35

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 336 -

CHAPTER 36

ROPAFADZO

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 337 -
Kubva zvandakatanga kuita zveBoterekwa ndakaona
ropa rakawanda rakadeuka munzvimbo iya vanhu
vachiurayirana goridhe kunyanya kana pakava
neanenge azama kuda kutsotsa vamwe, vamwe
vanourayirwa goridhe ravo chairo neaya anonzi
Mashurugwi dzimwe mhondi dzacho dzinonzi
mabhuru. Handina kubvira ndakafunga kuti kadombo
kangu kaya ringava goridhe, imagine dai ndakakaona
muhandbag ndiri pamusika pakati panogara pakazara
vanhu, ndaingobudisa nekufarira kadombo kangu
kandakatsvaka kwenguva yakareba ndichikashaya
vanhu voona hameno kana ndaizopapona pamwe
ndaipondwa hangu.. Tina namai vake handizivi kuti
ndovatenda ndichivatii? Kana irishuwa kuti kadombo
kaya kachandipa mari yakawanda kureva kuti baba
vangu vachagarika uye ini naTina tichava neupenyu
hwakanaka hedu senherera..
Mashoko amai vaTina ndakasvika kumba
ndichingoafunga. Kana vachiti zveshuwa vabereki
vangu ndivo vakandipa goridhe iri handizvirambe
nekuti imi gomo riya rapera kuboorwa mazimwena
vanhu vachitsvaka goridhe ini ndongonzi ndanhonga
kadombo kanorema kudaro. Kadombo kachowo
kanoita kunge kemudzimu. Kakatorwa namai Jane dai
vaiziva goridhe handiti ndingadai ndakanyura? Kuzoti
iye Tina handizivi hangu, dai varivamwe vakomana
vane moyo yakangodaro daro handiti angadai akatiza
ndaimutsvakepi nhaimi! All thanks to Chido handizivi
kuti ndichamuitirei hangu.. Mai vaTina vakandiudza
kuti ndidzikamise hana yangu ndoronga
ndakadzikama zvandofanira kuita.. Ndinoziva kuti
parizvino goridhe rangu ririmumaoko akanaka asi
baba vanofanira kuzviziva namai vakatambira
vakandiita mwana wavo, mai Lindi. Kana samai
vandirasisawo ndopandichazivawo zviri mumoyo
mavo. Kana usina kuisa munhu patest yakadai
haungazivi paanogona nepaanotadza saka nyaya iyi
ndofanira kugara pasi nevabereki vangu totaura.

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 338 -
Kubva zvaenda Jane kumusha yakabva yangova zii
mhamha vakambofonera mai Sheri vachida kunzwa
kuti vakasvika zvanaka naye here uye mai vake
vakamutambira sei mai Sheri vakati vakanomusiya
kunamai vake havasati vanzwa musindo kureva kuti
vagere havo.
Ndakaita mazuva matatu ndabva kuBoterekwa
ndichingozvikanga hangu nepfungwa dzekuti ndoita
sei? Tina aisender mamessages achindiyeuchidza kuti
nditore madecisions akangwara uye akandikurudzira
kuti ndiudze vabereki vangu vasazoita zvekunzwa
kana kufungira..
Lindi aimukira kunotora mabooks ake kuGweru
kushamwari yake yaanoita zvekustudier nayo.
Mhamha mai Shumba vakamuka vakati ini naivo
taizoenda kumusika vozodzoka havo kana Lindi
adzoka masikati. Ndakaonawo uriwo mukana
wekutaura namhamha tiri vaviri tisati tasvika
kunamudhara nekuti mhamha ndovaiziva zvekuenda
kwangu kuBoterekwa. Takasvika kumusika
tikarongedza tikapedza asi ini semunhu aive
nezvakawanda mumusoro handina kunge ndamboona
kuti ndainge ndakangonyarara ende mhamha
vaizviona zvese izvozvo ndakanzwa voti,
"Wambonzwa here nezvaJane nhai Ropafadzo?"
"Aiwa mhamha hapana zvandanzwa"
"Ndosaka nhasi wakanyarara kudaro! Ndoziva
hangu kuti moyo wako unorwadza kubva
zvawakaona Jane unoda kuziva kana ari right"
"Kwete mhamha zvaJane ari right nekuti arikunamai
vake, vangarwa vakasvikepi?"
"Good! Saka wakanyarirei nhai mwanangu?, muri
right here naLindi?"
"Aaaa mhamha, sisi Lindi movaziva wani kuti munhu
asina zishura nemunhu.. Ndine zvandoda kutaura nemi
hangu "

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 339 -
"Mai vako ndiripano Ropa, ndakati wani unofanira
kutaura neni usatye hako"
"Ummm, yhaa makadaro mhamha. Nyaya yangu
ihombe zvishoma.."
Ndakatsanangurira mhamha mawaniro andakaita
kadombo kaye uye kuti ndiko kaipengerwa namai Jane
pavainzi varikunditsvaka. Ndakanhongerera kese
ndikavaudza hapana chandakasiya zvese nemawaniro
akaita Tina kadombo aka muhandbag mangu.
Pandakapedza kutaura mhamha mai Shumba vakanga
vachigara zvino padivi pangu vakanditarisa kumeso.
Vakamboti nyararei kwekanguva ndokuzoti,
"Ropa, hakuna goridhe rinouya pamunhu
semauyiro akaita rauri kutaura iri. Nzvimbo iya
yakatsikwa tsikwa nehama dzaiuya kuzotora ivhu
repakafira hama dzavo vachienda naro kumusha,
sei vaisariona goridhe iroro"
"Hameno nhai mhamha!"
ndakapindura pfungwa dzangu dzirikure chose..
"Hakuna mubereki anofa sehuku akakanganwa kuti
akasiya bodzi panyika Ropa. Zvako zvine vabereki vako
mukati..Pavari kukutarisira varikumhepo usafunga kuti
havaone vanhu vakakunakira muupenyu hwako,
vamwe vanotoita zvekukusanganisa navo. Unoti Tina
namai vake vaingonyuka muvhu kukubatsira kubva
urikujere paya kusvika nhasi uno vakamira newe
vanokuzivirepi ? Sei nguva yese iyi iwe pachako
waifamba negoridhe usingazivi kuti unaro asi
risingarasike?, only kuti Tina azoriona agonogara naro
mazuva akawanda kudaro akachengeta ?. All this is like
a horror movie Ropa hazviitike in real life izvi"
"Manje ndiite sei mhamha?"
"Hapana chinotyisa pagoridhe iri, mai nababa vako
ndivo vakakupa chipo ichi kuti usimudzire upenyu
hwako. Tambira ugovatenda nekuita zvunhu zvine
musoro uye zvakanaka nechipo chavakakupa"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 340 -
"Maita basa mhamha asi handizivi pekutangira"
"Tichaudza baba vako asi ini maonero angu panezvese
zvauchaita be humble mwanangu, nomatter how much
yauchawana padombo iroro utange nekusimudzira
imba iya chero zvikazokukunda yave mberi something
will come up inopera chete.. Musika wako usarega.
Usationa takadai tine mari dzakawandisa kumabank
asi ooh tiripano"
"Saka ndonotora here kunaTina!"
"Eheee unganotora zvako kana waakunzwa ushingi asi
tevera advise yaTina namai vake handione
vachikurasisa, nesuwo nababa tiripo tinokubatsira
paunenge uchida help "
"Maita basa mhamha"
"Ini ndotenda vakatungamira kare ava kuti havadi kuti
utambure Ropa, tingakupa pekugara tikakupa chikafu
nhasi namangwana asi kune chinonzi future chinoda
kugadzirirwa, varinyikadzimu ava vari kuita zvese izvi
senzira yekukugadzirira ramangwana "
"Ndinotenda mhamha"
Manheru acho takazogara pasi nababa tikavaudza
zviripo. Ndaitarisira kuti vachafarawo kuti
ndaakuzowanawo mari asi vakambotsikitsira musoro
wavo pasi ndikaona misodzi yavo ichidonhera
pamakumbo.. Mhamha ndovakazoti kwavari,
"Baba Ro madarirei ko Shumba, inga takawirirana
wani kuti no misodzi mberi kwevana marwadziwa
zvakanyanyoita sei taurai neni"
Him... "Ndine urombo mai Lindi, ndarwadziwa
kusvika pakadzika dzika chaipo. Pedzi nemudzimai
wake vanoziva kuti mwana vakasiira bofu ndosaka
muchiona vandirerutsira kusvika pakadai.. Ropa
ini handina meso mwanangu. Ava mai veBoterekwa
kubva kare ndichida kuvatenda asi ndotadza
kusangana navo, vanoita kunge mutumwa ndivozve
vakakubudisa kuchitokisi paya. Mai vako ava

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 341 -
paunenge uchida advise vanokupa vachibatsirana
namai Tina ava, mupe mwana guidance mai Lindi
agone kuti kana abata mari aite zvine musoro.
Ndinoziva une uchenjeri mwanangu asi
usakanganwa chero rini narini kuti baba namai
vako meso avo aripauri"
Mai Lindi.. "Advise yenyu ndoyatoda Shumba isu toona
kuti zvaitwa bedzi.Achaenda Ropa onotora kadombo
kacho asi zvotoda kuti awane anomuperekedza kuuya
anotya uyu anozvizivirepi zvegoridhe ndichakumbira
Tinashe agouya naye plus ndiye anoziva mabuyer acho
ini handina kana idea."
Him. "Zvese zvakanaka mai mwana, chakakosha
ndechekuti mwana avewo safe, zvonetsa zvegoridhe
izvi"
Chaitondipa zvangu stress ndechekuti ko kana
rikasaita mari yakawanda rikangoita kamari kashoma
ndozotadzawo kuita zvine musoro vanhu vanongoti
ndakatambisa mari chero yaive shoma. Manheru
ndakafonera Tina kuti I am ready kuti ndichiona
zvandakaitirwaka nevashakabvu vacho akati iye
aigona kumuka achindivigira kuShurugwi. Yhaa
ndakazvifarira nekuti ndaisada kurovha musika, ko
zvapinda muropa ka zvavemo mukati mukati..

MAI MARUFU
Ndinombozviudza kuti pakuita zvunhu ndiri shasha
asi zverwendo rwuno aiwa ndaona moto hama..
Pamba pangu hapana kana anotsikapo chero kuzoona
kuti ndamuka sei? Mai Sheri vakangoguma zuva
ravakauya vachitaura twavanoda kana kuzovaona
zvakare handina.. Kana ariMuganhu pamwe
ndinombodemba kuti dai asvika andituka hake

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 342 -
ndoziva kuti ndakatadza hameno mweya wakandibata
ende handidadi nazvo.. Kuda ndikataura naMuganhu
ndingagona kumutsindira kuti nyaya iyi asaisvitsa
kunasekuru vake kana kuneamwe madzisekuru ake
ekwaMarufu ndingadzingwa hangu musha
ndachembera kudai.
Gumbo rakandirwadza hama handidi kunyepa. Pamwe
ndaitadza kana kumuka kunotora mvura yekumwa
mukitchen. Chido aingomuka achibuda achidzoka
usiku. Uyo kana kumuti rovha kubasa uswere pamba
aitondiudza kuti handigoni kuswera nemi pano
ndichikuonai nekundinyadzisa kwamakaita. Mwana
wandakabereka vanamai pafungeiwo. Umwe ndiye
akandiponda gumbo kana kwaari hakuna anoziva.
Mumoyo mangu ndomboona kunge ndakatadzira Jane
ndaisafanira kuita zvandakaita, samai vakabereka
ndaifanira kungonotsiura chete Bhanabhasi kuti asaita
zvakadaro nemwanana akadaro akazvitakura futi. Uku
rimwe divi ndonzwa hasha kuti Jane nyangwe dai
akawana ndakatsimbirirwa naBhanabhasi aisafanira
kundirova nekuti ndirimai vake . ko kana dai
akandiuraya nhaimi, ngozi yekuuraya mai aizoigona
here? Zvunhu zvacho zvaingoda kuti ndinyare muraini
uye kuti nhamo dzangu dzirambe dzichingoviridzana
vanhu vagoti handigone kuchengeta musha kana
pasina baba Jane , kuti vanhu vangowana chekutaura
chete..Ikozvino Jane akanyangarika apa akasiya
mapiritsi ake.. Kungoti auye pano ofa chete vanhu
vagoti muroyi ndini.. Kubva zvasimuka Jane achienda
kusingazikamwe handiwane hope usiku, ndinorara
hope mbishi ndichingodemba kuti dai akaruka anyuka
pachivanze.Handigone kurasikirwa neumwe mwana
zvichibva munyaya inonyadzisa kudai, vaida
kundirova vanhu vekwaMarufu parufu rwaDenis Jane
akafa
nenzira iyi ndigodii?
Mazuva akafamba kana kuchipatara handina kuenda
ndaitonzwa kutya nekunyara kuti ndozosvika
ndotorwa ropa handisati ndagadzirira kuudzwa
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 343 -
zvandoziva. Gumbo ndaingotova ndiripamba pangu!
Raitoita haro nani zvekuti ndainge ndogonawo
kumuka ndichibika chekudya.. Rimwe zuva
ndakamuka ndokurara paveranda mumba maipisa
kuseni chaiko.Ndakanzwa imbwa kuhukura
ndikamuka ndichida kuona akange andifungawo zuva
iri.. Ndakarohwa nehana kuona mai Sheri akabata
kacheche mumaoko achipinda muchivanze, Jane
akanga achifamba zvishoma zvishoma kunge uya
akatakura sumbu rendove munduwe. Meso ake
akanga akati kobo kobo mukati kunge etsoko apa
akachena kuti toto! Ndakarohwa nehana asi
ndakambopererwa nemashoko ndakamutarisa,
ndichiri kuedza kumuongorora kudaro mai Sheri
vakangokaruka vazadza maoko angu nekacheche kaya
zvekuti ndakamboda kukanakurira kure uko
ndakatonyara Muganhu.
"Muite zvandakuudzai mainini Jane mastitch asaore
ayo ndichauya ndokuonai taenda isu "
vakataura vachitobuda chivanze vanamai Sheri
zvekuti kana mukana wekubvunza kuti mamuwanepi
kana kutii handina kumuwana. Jane akabva apinda
mumba ndokunoti zii arimo. Kusimuka ndakabata
mwana ndaisagona, ndakatsveta mwana uya mufloor
ndokusimuka ndokuzosimudza ndokamhina
ndakananga mumba munaJane.. Nhai ndakatambirwa
nengonono ndichisvika pamusiwo.Ndakasvikotsveta
mwana padivi pake ndichibva ndamuzungunutsa...
"Iwe muka hapasi pamba pako pano paunouya
negora rako uchindiridzira ngonono kukanganwa
kuti wakandikuvadza"
"Ndeedu tese mhamha"
Me. "Handisi shamwari yako Jane ende handisi
kuseka newe, wadzoka ka pamba pangu
wakanganwa kuti wakandikuvadza? Wavingei
pano?"
Jane akabva amuka ndokugara achibva ati ,

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 344 -
"mhamha ndauya nemwana ndakamubatsirwa
madeko, munotiwo makorokoto Jane sorry
mwanangu nekurara nemukwasha kwandakaita
kwete ku..
(Nehasha) Heyi we handinei nemwana wako handina
basa nekuti wakamuzvara riini handinei nazvo zvese
izvozvo mhani iwe! Tarisa uone gumbo iri kuti
rakazvimba sei "
Jane..(achiseka) "Mhamha mamboona kuti ndiri
kurwara? Handina kumwa mapiritsi kwesvondo rese
zvichikonzereswa nemi naBhanabhasi wenyu.
Pandakakurovai paya ndakatoshaya chinouraya.
Teererai munzwe mhamha ndoziva kuti mazinzeve ayo
akakurira zvisipo, Chido achiri mwana , kugona
kuzviriritira haisi mhosva. Baba varimusango hamuzive
kwavari, makabvuma kuchengeta Ropa aripi? Musango,
pandaishanda paya kuti mudye ndakawana mubairo
wemuzukuru akarara apa uyu.. Dai ndakawana
chekukupondai nacho mhamha mungadai makafa.
Mungarare nemunhu ane chirwere kuti mufe musiye
zvunhu zvakamira zvakadai zvamakakonzeresa imii!
Munoti kumwa mapiritsi kunotamba ? Hezvoo tarisai
ini ndiri kurwara nemazuva mashoma andarega
kumwa mapiritsi. Makagadzirira here kumwa mapiritsi
kwemakore enyu ese eupenyu hwenyu asara, mazuva
ese zvawo!"
Ndakada kumupindura Jane ndakanga ndaneta
nekurairwa nemwana wandakatakura
9months.Ndisati ndambotaura akabva ati ,
"Handisati ndapedza kutaura mhamha zvamakaita
zvinonyadzisa, baba vachazviziva havagare
musango kweupenyu hwavo hwese, vachakupfirai
mate kumeso kuti munosemesa. Chido anokuonai
sei? Saka pamakanopengera Gari paya dai
ndaisavapo makatorara naye kaa.."
Me..."Wafarisa Jane ndoku..."

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 345 -
Her.. "Kwete mhamha hakuna anorova umwe, tiri
mamai maviri muno mumba akarwira chikomba
chinorwara. Musiyano ndewekuti imi mune
murume ini handina. Dai maifunga zvakati tasaa
mungadai motsvaka baba kuti pamba paite
chiremera pano, kubva kwavakaenda
zvakawandisa zvaenda musango pano. Ndaisavada
kana neniwo asi nhasi uno ndave kuziva kukosha
kwavo pano pamusha.."
Me.."Ndonovatsvaka kupi nhai Jane?
apa ndakatoona kuti zvakazotaurwa naJane apa zvine
musoro, ndakabva ndadzikamisa hana chaiko...
Her.. "Ropa ndakamuona muShurugwi zuro,
pamusika pake ndopaziva. Ndokurairai mhamha
Shurugwi munoiziva imi monotaura naye
zvakanaka moudzwa kunababa."
Me.. "Ko waive Shurugwi? Ko vanaMuganhu
wavawanepi?"
Her.. "Ngatitaurei zvekuti munotaura naRopa
mhamha kwandaive ndiri nekwandawana
vanaMuganhu inyaya yerimwe zuva. Hazvizikanwi
mangwana ndogona kumuka ndisisachataure
mukatadza kuziva kwekuwana Ropa nababa,
ndinorwara muchiona ndakadai "
Jane akanditsanangurira ende nzvimbo
yaakanditaurira ndinoiziva. Ndakatoona zvakangwara
kuti ndikwire ndinoona Ropa wacho. Kutsamwira Jane
kwese kwakapera ende ndaitoona kuti kutaura kwese
uku ishungu dzekurwara anotozvinzwa munyama..
Chero ndainzwa gumbo ndakazomira kuita mbuya
chaivo ndainge ndicharegera ani uye kutoona kuti iye
Jane wacho adya nenguva amwa mapiritsi ake. Mwana
wacho kugwinya asi mai vopera muviri pazuva pazuva.
Ndakazosimuka ndokuita zvivindi kunamai Sheri kuti
amuberekere mwana zuva raaienda ku10days
naiyewo achinotariswa kurwara uku.. Pavakangobuda
ndakasara ndikambokanganwa zvegumbo ndoku....

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 346 -

End of chapter 36

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 347 -

CHAPTER 37

MAI MARUFU

Zvakabuda Jane namai Sheri ndakasara


ndikakanganwa zvegumbo ndokungoti kabheke kangu
nonge ndokunanga kuzvimota zveShurugwi.
Chakamboda kundinetsa inyaya yandakamboudzwa
namai Sheri kuti pedo naRopa pave kusungisa asi
ndakatoona kuti zvirinani kungozvibatawo kana
ndasvika paari ndongobvunza zvababa Jane
zvandafambira ndodzoka. Chokwadi hapana kana
chimwe chikuru chinodarika kuziva nezvababa Jane
chandaimbofambira hangu...Kana panaRopa patadza
kusvikika iye ariye ane zvandoda ndigodii?
Shurugwi ndoiziva zvekuti pandakangoburuka
ndakananga kwandakarairwa naJane. Ndaifamba
zvishoma zvishoma gumbo tsinga dzichiri kudhonza
nekugara ndakaripeta kwandainge ndakariita
muchimota.. Ndakatsvaka Ropa pamisika
yandakaudzwa ndakamira chinhambwe asi handina
kumuona. Ndakagara rinenge awa rose ndichiti
ndichaona Ropa asi handina kumuona. Pave paya
ndakaona musikana akanga akazvipomba nekatirauzi
akapfeka kepesi achifamba achiuya nepashop

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 348 -
pandakanga ndakagara. Pandakaramba
ndakamutarisa ndakarohwa nehana ndichiona
ariRopa.Nguva yose musikana iyeye ndaimuona asi
handina kuziva kuti ndiye. Wakamborohwa nehana
waona zvawafambira zvazviswededza pedyo newe
pachinhambo chekufara wodikitira hako nekutya!
Ndozvandakaita imi woye hameno chakandibata
panguva iyoyo. Zvokwadi ndakaona kuti mai Sheri
vairevesa pavakati Ropa haachangotangiki zvave
kusungisa, machinjiro aakaita kubva zvaabva pamba
hakusi kwemunhu anogara kure
nemapurisa.Pachinhambo chekusimuka kuenda paari
ndakaungana mukona pandakanga ndakagara
ndokutsikitsira musoro pasi..
Akapfuura nepedyo neni Ropa asi meso ake akanga
arikuchikombi chakanga chakamira parutivi peshop.
Akasvikotambira mukomana uya wekumbotizirwa
naJane ainzi Tinashe uya. Vakananaidzana
vachitenderera neseri kweshop ndokumboti nyangara
variko hameno zvaitaurwa kana kuitwa, handina kana
kumboita pfungwa yekutevera ndakaona paripo
pandingabatirwa nemapurisa ipapo..
Kutaura chokwadi zuva raifamba asi ndaitadza
kupasvika panaRopa. Vakananga pamusika
ndokumbonogara havo pamachair, paisekwa paifarwa
neumwe musikana aivapo vakagara vachirovana
maoko. Pave paya ndakaona vamwe mai vanaku so
vatete vachisvika pamusika ndokutorana naRopa
naTinashe voenda. Apa ndakazviudza kuti handisari
ndinotoendawo, moyo wangu wakandiudza kuti
ndikaona panonopinda Ropa ndinogona kuzonyangira
rimwe zuva ndikawana baba Jane varipo ende
ndoenda navo kumba handivasiyi. Ndakakamhina
zvishoma nezvishoma ndirimushure mavo nechekure,
kwavaienda kwakanakira kuti kuzvikomo
ndaimbovanda nemabwe vombofamba..
Vakasvikopinda paneimwe imba yaive muzasi
mekakomo. Ndakangozviudza kuti imba yakanaka
kudai muShurugwi muno Ropa haangambogare pano

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 349 -
vachakasira kubuda. Ndakakwidza chikomo
ndokunogara pamumvuri. Ndakagara zvenyu imi
pasina kana aimbofamba famba panze vanhu vese
vaingova mumba.. Ndatoneta hangu nekugara pamba
paya pakasvika mota ino yaipenya kunge yabuda
mubepa nhasi. Pakabva panyararwa zvakare.
Umwe moyo wangu wakambofunga kuti pamba apa
paneuori hunoitwa chete, apa ndaingozvibvunza kuti
saka Ropa naTinashe zvavakati zii mumba umu
varikuitei chaizvo? Ndakanzwa godo kunge Tinashe
anodanana naJane kana Chido asi ndakakurumidza
kuzvidzora handidi kugumbuka ndozoita
zvisakarurama ndikanorara kujere.. Mota iya
yakazobuda ndopandakaona Ropa nekamwe
kamukomana karipasi paChido vachifamba panze
vakabatana maoko, aaah ndakashaya kuti asi Ropa
yave pfambi here anongofamba nevakomana?
Ndakanga ndazoneta nekugara zvino, pandainge
ndakagara paiuya zuva mumvuri wainge wapera..
Ndakazviudza kuti kwanhasi handichagoni kuona
Ropa ariega sezvo asisachabude pamba apa. Ndakanga
ndotosimuka pandakaona vanhu vachibuda mumba
kuratidza kuenda.. Ndakanyatsopena pazuva ipapo
ndikaona mota iya yoenda, pasina nguva
kwakazotevera Ropa naTinashe ndokubuda.
Vakaonekana namai vaya pachivanze vakauya
nanaRopa, mai vaya vakanga vakabatana ruoko
nemunhurume ane chimiro chisina kundiitira chitsva.
Akanga akafuratira kudivi kwandaive zvekuti
ndaitodemba kuti dai acheuka ndaona chiso.. Ndichiri
kuvhomoka mutsipa kudaro vaviri vakatendeuka
ndokufamba votenderera imba vachiuya nekudivi
kwandaive kwaive nemaruva nemiti yemichero.
Nyangwe zvichifanana munhurume uyu
ndakanyatsoona kuti ndibaba Jane. Ndakatenuka
pachikomo paya ndichimhanya zvekuti gumbo
rakabva rapora.. Pane pachicorner pakadonha
durawall kuda imhepo kana mvura yakawisa hameno.
Ndakangopinda ndikati kana pane imbwa tosotana
mukati. Vaviri vakanga vave kunerimwe divi asi
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 350 -
ndakabudikira nepakona pedyo navo. Baba Jane
hameno chavakabata kuda ndiSatan wavo akavaudza
kuti ndiripedyo. Vakati mhii mai vaya kuvasimudza
ndokutanga kutamba vachitenderera navo vachikiswa
kumeso kwese uku vachibatwa ndebvu baba Jane
zvakandipedza simba. Ndakacheuka ndichitsvaka
chitinha kana danda rekupondesa vanhu ndikashaya.
Mai vaya vakanga vakarembedza musoro pasi
madhiredzi achitsvaira mabvi ababa Jane uku
achigegedzera kuseka hanzi baba Ro mukandiwisa
kaa!
Baba Ro kumurume wangu? Kunababa Jane?
Chokwadi ipapo ndainge ndonzwa kudzvanyidzira
mweya kuti usaita zviya zvekuduvuka
ndinganzwikwa, ndaingoita imwe iya yekufuridza bva
ndainge ndazara kuti paa nehasha.. Ivo baba Jane
vacho mapfekero avakanga vakaita kunge murairidzi,
dumbu raiita kunge risiri ravo, machinjiro acho
ndakamashaya ini! Ndakamira ndakati kwati kwati
nechimumango chaivepo chaive chakapfumvutira.
Zvandakaona hazvionekwi mufunge. Masikati
machena panze mugarden vanhu vaibatana batana
kunge vana vadiki, sekerero raiita baba Jane
rakandipedza simba, ndakaita weak ndikazendama
nehunde yemuti. Matama angu ndakanzwa achipisa,
ndakabata kudai ndikaona irimisodzi yainyorovedza
matama angu ichidzika. Ndakayerera misodzi yaipisa
kunge yakavidzwa. Payaiyerera napo misodzi iyi
yaisiya chiso changu chaunyana nerutsva..
Kurwa kuya unenge unesimba vanamai.. Zvandakaona
zvakandigura nungo zvekuti ndakatoona kuti kubuda
muyard mevanhu ndisati ndaonekwa
ndingachengetedza gumbo rangu rimwechete risina
vanga iri.. Mafariro aiiita vaviri ava ndiwo aya ekuti
ukavabvondora ndiwe unokuvara. Dai ndisina kuita
chisakaitwa chandakaita naBhanabhasi ndingadai
ndakawinya ndakarwira murume wangu.
Ndakangosveverera ndokubuda muyard muya. Nzira
yekurank ndaitsvangadzira nemeso akazara misodzi.

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 351 -
Ndakananga pazvikombi zvinoenda kumba. Patainge
takamirira kuti kombi izare ndakanga ndakangotarisa
Ropa nepawindow aripamusika vanhu vachitenga
vachipanana mukana Ropa achitambira mari achivapa
zvavatenga mari achiisa muchibag chaive pasi. Kana
kuzofunga zvechibag changu kwete handina.. Hana
yangu yaingorova nezvandaibva mukuona,
ndakambofunga kuti Jane aitira kuti ndizozvionera
pamwe iye akatoonawo. Kombi yakazosimuka
ndanzwa nekuverenga mari yaRopa nemusoro
ndichingogutsurira iye achitambira...

JANE

Mhamha ndakamboita nguva yekuvavenga asi kubva


zuva randabatsirwa mwana wangu
ndakavakanganwira zvavakaita naBhana, infact Bhana
wacho hameno kuti ndainge ndangobatwa neiwo asi
ndaisafanira kuita zvakadaro panguva yandainge
ndakatakura pamuviri pangu. Kuchipatara
ndakadzidziswa kuzvibata kwakanaka kuti
ndikwanise kurarama kwemakore akawanda
nechirwere. Chokwadi ndakaudzwa kuti
ndikasazvibata mazuva angu panyika anogona kuita
mashoma.. Moyo wangu wakarwadza kubva ndichiri
muchipatara, kana nyaya yekutsvaka baba vabereki
vedu vagadzirise zvinonetsa tive mhuri zvakare
yakandibata ndikaona kuti chero mhamha
vakasateerera asi ndovaudza.. Ndinoziva hangu kuti
mhamha havana kuzvibata zvakanaka ende vanogona
vatove nechirwere asi ndinongonamata kuti
zvakaitika panaGari zviitikewo kwavari nekuti umm

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 352 -
kwatabva kure tichisekwa neraini rese pamba paya.
Munhu aipa chiremerera pamba ndibaba ende
vanofanira kudzoka, seni hangu ndaziva kukosha
kwavo.. Vaive vakaviga upenzi hwamhamha..
Hazvitaurwe kuti mai ibenzi asi ini ikozvino
ndaakuziva kuti mhamha vangu dzinombovasiya..
Ndakagara svondo rese ndisina kumwa mapiritsi angu,
handizivi kuti zuva riya dai ndisina kusangana
nanamai Sheri ndaizovei nekuti zviripachena kuti dai
ndakaita rimwe svondo ndisina ndaifa ende mwana
ndaizvarira musango kwataigara uko nekuti mbuya
vandakaenda navo kumusika kumabhanana
vaingondiudza nyaya dzekuti vakabatsirisa vanhu
vakawanda kuratidza kuti vaitoda zvekundibatsirisa
musango ende vaitoona futi kuti mimba yangu
yasvika.. Upenyu ndave kuona kuoma kwahwo, kubva
zvandapinda muShurugwi svondo rimwe iroro
ndakarara nevamwe vanhu vakasiyana siyana zvekuti
vamwe vacho ndaiti ndichimuka mumakadhibhokisi
imomo kuseni ndaivhunduka kuti ndiye munhu
wandarara naye here uyu? Zvakaoma hama dzangu
zvandakasangana nazvo zvekuti pandakaona Ropa
hongu ndakavhunduka pamwe nekutsamwa kuti
andiona ndakaora netsvina semunhu ndakagara
ndichizvionera pamusoro soro paRopa asi umwe
moyo wangu ndaida kuti andibatsire chero nemari
yekudzokera kumba chaiyo..
Takaenda kuchipatara namai Sheri, ndaive neshungu
dzekuvabvunza kuti muShurugwi vakanga vanoitei
uye pavakandisiya kuchipatara vakanorarepi asi
ndakaona kuti ndikada kutongesa mai Sheri apa vasati
vanditukira nyaya yekwaBhana ndogona kusara
ndosvika kuchipatara ndadumbirwa. Apa kubva
tichisimuka pamba ndaingoudzwa zvekuti ndave
nemwana ndakura ndikasagadzirisa unhu hwangu
ndofa ndikasiya mwana wacho. Ndaitongoona hangu
kwaienda nyaya kuti ndikoku kunyaya dzaBhana uku..
Takasvika kuchipatara ndichibva ndatariswa tese
nemwana, mwana akanzi ari right asi ini ndakanzi

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 353 -
ndine STD ndikapiwa treatment yandakanzi
ndinoshandisa pamwe nekubaiwa majekiseni. Mai
Sheri vakatsanangurawo zvekusamwa kwangu
mapiritsi kwesvondo rese ndikatukwa hangu asi
ndakanzi kana ndikanzwa panenge pondirwadza
ndisagara kumba ndiuye kuchipatara.. Takadzokera
kumba asi ini jekiseni randakabaiwa kuda ndiro rainge
rondirwadza ndakasara kusvika kumba nyama
dzorwadza zvakapfuuridza.. Kumba takawana
dzingori imbwa chete mhamha vainge vasiko.. Mai
Sheri vakangosiya vandiitira tea ndokuenda kumba
kwavo vakati mhamha vaenda kumunda vanodzoka
manje manje.Ndakaswera nenzara mhamha vasina
kudzoka.. Muviri wangu waitorwadza zvekurevesa.
Ukuwo kubva zvandakanoonekwa kuti chiweti chine
maronda akabva atotanga kubaya baya zvairwadza..
Kwakasviba mhamha vasina kuuya.. Ndakarara
nemwana wangu apa aichema mukaka wobvepi
hapana chandainge ndambodyawo chine munyu.
Kwave kuma8 usiku ndakanzwa imbwa dzichiratidza
kuti dzaitambira munhu wadzajaira ndikadongorera
ndokuona mhamha vachipinda pachivanze.
Ndakamuka ndokunovakiinurira door ndainge
ndakiya. Pandakangovhura mhamha vakaita
kudonhera pamusiwo ndokutanga kuhwihwidza
kuchema. Ndakavhunduka nekuti ndopandakaona
kuti nguva dzafamba Chido haasati asvika.
"Mhamha asi Chido pane zvaitika kwaari,
murikubvepi"!

Mhamha vakangodzungudza musoro ndokuenderera


mberi nekuhwihwidza. Panguva iyoyo Chido akabva
asvika. Ndakabva ndashaya kuti ndiani chaizvo afa!
Chido akangosvika ndokumira akanditarisa akapeta
maoko ndokuti,
"Asi pane umwe adya sadza nehanga here Jane,
mhamha varikuchemei?"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 354 -
"Unopenga here iwe!"
"Kubvunzawo hangu nekuti mhamha havangochemi
ka!"
Mhamha vakabva vagara zvakanaka vachibva vati,
"Vanangu baba venyu vagere neumwe mukadzi
muShurugwi umu asi mukadzi wacho ndakamboita
kunge ndakamuona achitengesa kuBoterekwa
kwenyu uku"
"Hezvo ko imi masvika Shurugwi muchitsvakei plus
ndiani angatora baba kugara navo pavakadzi
veShurugwi vaya, munomboziva kuti vakadzi vemusika
vane moyo yakavangarara sei here, nyaya yenyu
haisangane iyi ndaakunorara ini. Jane kwanzi naGari
ndirikuuya mangwana kuzoona mwana!"
Akabhidhaira Chido achipinda mumba. Ndakasara
ndokunyaradza mhamha vachibva vanditsanangurira
zvese zvaitika kubva zvavapinda
muShurugwi.Ndakatenda hangu kuti havana kurwisa
vanhu. Ndakavaudza kuti vamuke vanoudza
muzukuru wavo Muganhu ndiye wavangagona
kutuma kumba ikoko kunababa anotaura navo ivo
vasaendako.
Usiku handina kurara ndichifunga kuti pamadzimai
aiuya kuzotengesa aya ndiani angaviga baba asi
ndakazvishaya..Ndaimbobata bata yaGari iyi kuti
anouya mangwana kuzosasa munyu paronda handiti
akanzwa nezvenyaya yekwaBhana....
Kurara hope tsvuku kwangu hakuna kutadzisa kunze
kuyedza. Ndakamuka kuchakasviba ndikakumbira
Chido kuti arovhe kubasa agadzirewo pamba sezvo
pasina aimbotsvaira mhamha vainzwa gumbo ini
ndaisavapo kana arimatoto embwa pachivanze
zvaisatarisika. Akamboramba Chido asi pave paya
akazobata mutsvairo wepanze ndokutanga kutsvaira
chivanze kuchakasviba kudaro. Handina kudzokera
kunorara ndakabva ndasukawo ndiro.

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 355 -
Chero Gari asiri mukwasha wekumba kwedu asi
zvongonyadzisa kuti munhu auye pamba
pakadaro..Ndoziva hangu kuti pane zvizhinji
zvinonyadzisa kudarika tsvina yepamba zvimwe
zvacho zvandisingagone kuviga senyaya yangu
namhamha yekuti achaona vachikamhina gumbo
randakavaponda tichirwira murwere..
Gari akazosvika kuma10 hake akawana tichangopedza
kumwa tea akabikirwawo naicho chibage naChido.
Mhamha vakangobuda vakamukwazisa ndokudzokera
mumba. Kubva zvandakaziva Gari handina kumboziva
kuti anotofarirawo vana. Meso ake kana kubwaira
akangotarisa mwana uku aifa hake nekusekerera asi
chandaizosvora kuwunyanidza kumeso kwaaiita kana
achinditarisa.Pave paya akazoti Chido abudise
gumbeze nebag zvaainge auya nazvo achibva
anditambidza akati gumbeze nehembe zvemwana.
Ipapo kana Chido akapfugama akatenda asi ini
ndakakundikana ndakanzwa hana kuremerwa.. Baba
ndaivatsvinyira ndichiti ibofu asi mukuru wemapofu
ndini!, sei ndisina kuona side raGari reubaba kana
rakanaka racho. Dai ndakangomira naGari oga dai
ndisina chirwere, ko mwana uyu akasava wake
ndigodii? Ndakangokaruka ndopfikura kuchema..
Chido haadi drama akabva anhonga bucket
ndokubuda akananga kumvura.
"Zvaita sei nhai Jane, ndakutuka here?"
"Urikuregerei kundituka nhai Gari? Hauzive here
zvandakaita ?"
"Ndozviziva" akataura Gari nezwi raive pasi asi
rakashoshomera neukasha.
"Hameno kuti chii chinomboitika kwandiri hangu,
ndaisafanira kuita zvakadaro"
"Une right yekuva nemurume chero upi waunoda Jane
asi waifanira kutanga wabatsirwa uye unofanira
kuconsider utano haikona kungoti chero warara"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 356 -
"Ndoziva Gari, ndosaka ndichiti hameno zvinoitika
kwandiri"
"Saka mwana anonzani?"
"Haana zita uyu tanga takakumirira.. Atove
ne10days ave kuda zita"
"Saka anopiwa neni here kana kuti nagogo vake?"
"Mupe"
"OK anonzi Timukudze"
"Ummm hoo rakanaka wani?"
"Riri nani, ndokumbirawo kutaura something Jane "
"Taura"
"Ndiwe chete unogona kupa Timu upenyu hwekuti
akure achiona mai vake.. Ndokumbirawo kuti uzvibate
Jane "
"Ndazvinzwa Gari"
"Saka unobvuma here kumbonogara kumba kwedu
naTimukudze kana tazopedza zvematests akabuda
zvakanaka? Kungoti vanagogo vake vambomuonawo
chero masvondo matatu kana mwedzi modzoka
henyu?"
Ndakanzwa huro kuti papata kuomerwa rurimi
kuramba kusimuka, ko nyaya yematests acho
inondivhiringa hangu ko mwana akasave wake? Iye
kuda akaona kuti ndaomerwa akabva angobudisa $50
akanditambidza akati ndizotenga chinenge
chichishota pamwana achibva ati ndimuonekere
kunamhamha. Pandakapinda mumba ndakawana
mhamha vakagara vakasimudzira nzeve kuratidza kuti
vaiteerera zvataitaura. Vakabuda ndisina
kumbovaudza ndokuonekana naGari asi zuva iri
vaisada kunyanya kugara panze aripo.

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 357 -
End of chapter 37

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 358 -
CHAPTER 38

Jane akazoziva kuti munhu arikugara nababa vake


ndimai Shumba akambofunga kunotaura navo
kuBoterekwa mai vake vasingazivi asi akaudzwa
naChido kuti mai Shumba havasi kuuya kubasa
kwavo.. Mashoko akataurwa naChido akavhura Jane
meso nekuti iye aida kutaura namai Shumba on behalf
of mai vake nekuti aiona kushungurudzika kwamai
vake nezvavakanoona Shurugwi. Chido akamuudza
kuti kuendera mai Shumba kungatori kutsvaka
pamuromo nekuti mai Shumba havana kuuya
vakapamba baba vavo pamusha asi vakatovawanawo
musango. Chido akayambira Jane kuti afunge
zvakadzama asati anokanganisa mufaro wababa vake
nekuti hapana asingazive upenyu hwairaramiwa
navaMarufu pamusha pavo. Jane munhu asingade
kuudzwa kunyanya nemunin'ina wake asi apa
akateerera zvaakaudzwa naChido akambosiyana
nazvo.. Chaakaita kuudza mai vake kuti vambonogara
pasi nevazukuru vavo vataure nyaya yavakanoona
kuShurugwi vanzwe kuti Muganhu nemudzimai wake
vanotii nekuti Jane ainge ave nechokwadi chekuti
paakaona vanaMuganhu kuShurugwi vaibva kunogara
sekuru vavo nekuti vakauya vachioneka Ropa...
Muganhu namai Sheri vakashamisika kuziva kuti mai
Jane vakanosvika ipo chaipo pamba pamai Shumba asi
hapana akavaona uye havana kunomutsa musindo.
Muganhu haana kuona zvakachenjera kuramba
achivanzira mbuya vake zvaanoziva asi akavaudza kuti
anokoshesa mufaro wasekuru vake kudarika

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 359 -
marwadzo anamai Jane panyaya yese iyi uye
akavaudzawo kuti Ropa nababa vake vakanhongwa
namai Shumba vachigara mustreet Ropa achimuka
achinoshanda Boterekwa pavainge vasati vazotanga
kumuvhima vachida kumuurayira diamond. Mai Jane
vakachema vakazvirega pavairangarira zvavakaona
nezvavaiudzwa naMuganhu nekuti vaitoona kubva
pachiso chaMuganhu kuti anotsigira zvakanyanya
upenyu hwasekuru vake hwavave nahwo nhasi uno.
Vakakumbirisa mai Jane kuti vanoda kuti murume
wavo ambouya vazotaurirana nezveimba yavo kana
baba Jane vazorambisisa vodzokera havo kuShurugwi
uye vakamukumbirisa kuti asasvitsa nyaya yaBhana
kunasekuru vake asi vakazonyanya kurwadziwa
pavakanzi namai Shelly zuva ravazosangana naJane
ndiyo nyaya yavakanga vadanirwa naVaMarufu
yaBhana iyoyo kuti vazonzwisisa kana chiri chokwadi
asi ivo sevazukuru havaivanzira sekuru vavo ivo
vakatowanawo akavaudza. Mai Jane vakatoona kuriko
kuguma kwemuchato wavo navaMarufu. Mubvunzo
wavakapiwa namai Sheri ndiwo wakave mupendero
wehope yavo yekuzova navaMarufu zvakare. Vakanzi
namai Sheri "Nhai mbuya saka imi munoti
tingatsigira kuti muuraye sekuru takatarisa?
Makavakuta nemuchetura wamakazourayisa
sekuru Denis nawo haisi secret iyoyo kana nemi
munozviziva, nhasi uno moda kuzodza sekuru
chirwere chamakanokambura kunaBhanabhasi
zvinonyadza kudaro? Dai vasiri mainini Ropa
vakamira mira kuti sekuru vasaenda kuJairos Jiri
vangadai nhasi uno varikupi? Hamuoniwo sekuti
zvakachenjera kuti muite moveon neupenyu
mukanganwe nezvaRopa nababa vake? Makumbo
angu airwadza aya nekufamba ndichivigira sekuru
chikafu kumba kwenyu imi muchinobikira
kumunda imi!!! Regai bofu raMwari
rimbotambanukawo, Shurugwi uko vanomuka
vachirova breakfast in bed! Kana ndichiti breakfast
in bed ndoreva dzose dzamavaivanyima"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 360 -
Mai Sheri vakatozotsiurwa nababa Sheri kuti
zvakwana vaitoda kudonongodza zvose kusvika
mbuya vavo vawisa misodzi yeropa.. Mai Jane
vakarwadziwa... Vakazama kufunga nzira dzese
dzavangashandisa kudzosa murume wavo kumusha
asi yambiro imwechete yavakapiwa naMuganhu
ndeyekuti violence yemutown yasiyana
neyepachibhorani muruzevha, vakanorwisa vanhu
pamba pavo mutaundi futi vanosungwa
vakachemberera kujere.Advise yezuva iri yavakawana
mai Jane ndeyekuti vamboita zvekuchipatara
vanoongororwa ropa vakamirira next step
yaVaMarufu nekuti Muganhu akavavimbisa kuti
aizonotaura nasekuru vake vombouya kuzotaurirana
namai Jane vachivajekesera kuti vaenda zvachose here
kana kuti vasarudza barika. Mai Jane vakadokerwa
vave nechindee sembudzi, shoko rebarika nemukadzi
wavakaona akasimudzwa nebofu ravo uya
vakanyatsoona kuti havambonake
Abel naMiranda vakazoenda vakanointroducer
relationship yavo kuchurch, zvavaitarisira hazvisizvo
zvavakawana. Vese vaitarisira rejection asi
vakashamisika nematambiriro akaita vanhu uye
testimony yakapiwa napastor avo vakatsanangura mai
Lindi sechirikadzi yanga yakazvibata isina kumbovapa
dambudziko muchurch vachinzi vafambidzana
nemurume wemunhu pamakore ese avakagara after
murume wavo afa.. Zvakatambirika zvakafadza vaviri
ava uye pakabudawo chivimbiso chekuti vaizopiwa
mota family car yekuti mai Lindi semunhu ane
zvikwanisiro zvake zvekudriver vasatambura chero
vachida kubuda nemumwe wavo vashandise mota
kwete mataxi kana tsoka.Mota iyi yakabiswa neumwe
muzvinabhizimusi wemuchurch aimboda chose
kuparika mai Lindi asi vakarambisisa. Akaona kuti mai
Lindi munhu ane rudo rwechokwadi rwusiri rwemari
ndosaka akasarudza kuvapa chipo chikuru
semakorokoto ekuti vawanawo wavo anovatandadza..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 361 -
Kumba kwavo havana kuziva nezvekusvika kwamai
Jane, upenyu hwevaviri ava hwakaenderera mberi
huchifaya zvemhando yepamusoro.. VaMarufu
kekutanga muupenyu hwavo vakazvinzwa vane
chiremerera cheubaba nekuda kwerespect
yavanopiwa namai Lindi pamwe nevana vavo..
Vavakidzani vamai Lindi havasi vose vakatambira
chiitiko ichi vamwe vaiti mai Lindi sei vakasarudza
bofu munhu aipfimbwa nevanhu vane mari asi mai
Lindi havana kuteerera mashoko vakateerera moyo
wavo. Nehama dzavo dzimwe dzaisada vaMarufu
nekuti havashandi asi dzakatozotambira dzaona kuti
hapana chaizochinja Miranda mu mufaro wake wese
uripanavaMarufu. Mota hainawo kunonoka kuuya
upenyu hwakareruka chose nekuti kubuda nemurume
wavo vachienda kana out kuweekend chaiko
zvakavaitira nyore
Tina zvaakaonekwa namai Jane paya akanga aunza
goridhe raRopa. Mai Lindi navaMarufu vakamutenda
chose nekuvimbika kwake vakamukumbirisa zvakare
kuti abatsire Ropa nekumutsvakisawo buyer. Buyer
anotenga zvakanaka anozikamwa naTina anogara
Guinea fowl pedyo neShurugwi.. Akafonerwa naTina
akaudzwa kuti paita goridhe rakanaka chose
paMakusha haana kunonoka kusvika.. Ndiyo mota
yakaonekwa namai Jane ichipinda nekubuda pamai
Lindi. Goridhe raRopa rakarema pascale zvainge
zvisina kutarisirwa kana naiye buyer wacho asi
akagona kuritenga akaribhadhara zvakanaka nekuti
naiyewo upenyu hwake hwainochinjira ipapo.. Ropa
akabhadharwa $18000us pagoridhe rake zvinova
zvakanga zvisina kana kutarisirwa kana nani zvake
mumba imomo. Mai Lindi vakati vaizobatsira Ropa
kuti aise mari yake kubhangi uye atange kusimudzira
imba yake zvishoma nezvishoma asi Ropa akati kana
aisa mari mubank aida kumbozogara kana Svondo
rese asina kuita zvemari ozotanga kana ambofema
nekuti hana yake yaingorova ko akamboibatepi mari
yakadaro kana baba vake vaitotyirawo mwana wavo
kuti akazikanwa nevanhu kuti anemari yakadaro
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 362 -
anopondwa. Tina pachokwadi akanga ane pfungwa
yekumbopa Ropa space yekugadzirisa zvese zvaanoda
neupenyu hwake asi haana kupiwa mukana
wekutaura izvozvo naRopa nekuti munzira
vachiperekedzana Ropa akanga achironga zvekuti
Tina atsvake mabhiridha chero aivavakira kumusha
vanomaisa Kadoma anovaka kumba kwake uye Ropa
akaudzawo Tina kuti sezvo baba vake vasingaone Ishe
achiri mudiki hanzvadzi yake Denis hapachina male
figure yaasara nayo pazvese zvaachaita ndiye Tina
saka Tinawo akaona isiri pfungwa yakanaka kusiya
Ropa panguva yakadai saka vakatanga kuisa musoro
pamwe vachironga pamwe. Mai Lindi vaisada kuti
Ropa anyanye kushandisa mari mumba asi Ropa
zvimwe aingoronga nasisi vake naLindi vachibva
vatengera vabereki vavo zvavaionawo zvingadiwawo
mumba mavo kunyanya kuproperty yakareruka
kushandiswa kunyanya kunaVamarufu
vasingaone.Akatengawo matompstone maviri
akambomachengetesa achiti kana zvagadzikana
aizonovakirawo vabereki vake. Imba yakazotanga
kuvakwa kuKadoma ichibva yaextendewa kudarika
zvayainge yasimudzwa nevabereki vake iri.
Chido paaisungira mari yake aida kunotangawo
musika kunaRopa arege upenyu hweBoterekwa,
rimwe zuva arikubasa kugomo akaona Ropa naTina
vasvika nekuti Ropa akanga akumbira mai Shumba
kuti Chido segotwe vamubvumidze kuzoona baba vake
uye haana kufanana naJane saka ndoshoko
ravainomupira kuti akasununguka chero nguva
kunoona baba vake. Chido akaudzawo sisi vake
pfungwa yaaive nayo Ropa akafara kwazvo kuti iright
timing nekuti Chido anogona kunovhurira musika
wake Kadoma nekuti imba yaizopera munguva pfupi
yaitevera. Ropa akavimbisa kuzobatsira Chido kuita
zvese zvaaishuwira asi chaisada kumbomirwa inyaya
yekuti anoona hake baba vake. Vakaronga zuva
raizouya Chido kuShurugwi. Vakamirira zuva iri Chido
akashanda senherera neshungu dzekuti awanewo
chaanotengera baba vake ovavigira.
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 363 -
Ropa aidawo kuitirawo vamwene vake vakamira naye
kubva kare chinhu chimwechete zvacho asi Tina
akaramba akati vatange vapedza imba zvimwe zvese
vozozviona. Ropa haana kurega musika akaramba
achingoita musika wake asi musiyano ndewekuti
nguva ndiyo yakanga yomuitira shoma aigara
achifamba up and down kuenda Kadoma.
Upenyu hwakaenda mberi mai Lindi vakapedzisira
vazobatanidza mhuri mbiri yavo namai vaTina
nemwana wavo izvo zvakazopawo vaMarufu mukana
wekusangana namai vaTina mudzimai
wavakashuwira kare kusangana naye. Vakafara
vaMarufu nekuti mai Tina vakabetsera panaRopa
zvavaisakwanisa kuita ivo semunhu asingaone.. Mai
Lindi munhu ane hana yake yakatsiga zvekuti rudo
rwuri pakati paRopa naTina havana kubvira
vazvitaura kunavaMarufu asi ivo chavaisimbira kuti
Ropa asafurirwa nemari akakanganwa kwaakabva
naTina... VaMarufu vakafara pakazouya Chido
kuzovaona akavavigira hembe itsva
dzaakavatengerawo negrocery raakavigira baba vake
namai Lindi. Akapfugama akatenda zvizhinji mai Lindi
nekuchengeta baba vake zvinoyevedza kudaro nekuti
kana iye paakasvika akatombovarasika baba vake
nekutsvinda kwavaita. Kubvawo apa akanga ongouya
achizoshanyira baba vake, zvaitosiririsa nekuti nezera
rake aisauya asina chaakabatira baba vake..
Mai vaGari kubva zvavakanzwa kuti kwave
nemuzukuru havana kumbozogarisika vakanga voda
kumuona muzukurukomana wavo apa wekutanga futi.
Izvi zvakapa Gari pressure yekuti akasire kutsvaka
mari yekuita DNA test, chaaisada kurwadzisa mai vake
kuti vanoona muzukuru moyo wavo wofara asi pasina
umbowo hwekuti mwana waGari zveshuwa. Aida kuti
vaonane nemuzukuru after matests.. Gari
akaunganidza mari yake nekuti aida kuti kana mwana
ariwake abhadhare nemadamages kuti mwana
azobvumirwa kunoona gogo vake...

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 364 -
KumaDNA kwakazoendwa maresults akabuda..
Unfortunately zvaitarisirwa naGari hazvisizvo
zvakanobuda.Maresults akanobudisa kuti Timukudze
haasi mwana waGari. Gari made it clear kuti ndopainge
pagumira simba rake rekuchengeta mwana uye
akakurudzira Jane kuti atsvake baba vemwana
pavakomana vamwe vasara ava kuti mwana awane
kuchengetwa. Ipapo Jane akaratidzawo unhu akatenda
nemoyo wake wese zvese zvaakaitirwa naGari kubva
irinhumbu kusvika ave mwana.
Muviri waJane hauchina kugwinya sezvawainge uri
panguva yaaishanda iya. Jane yave ndonda yave
kungogara ichiita on and off kurwara. Kubuda kwaGari
muupenyu hwaTimu kwakamushungurudza Jane
nekuti aiziva kuti pamwana ndopaaidyirawo but
ikozvino ndiye ave kufanira kumira semubereki
pamwana. Anomira sei iye achirwara? kuBoterekwa
kunokwidza mikwidza nemabucket emvura kunoda
wakagwinya pasina kana panoshunya shunya.
Zvunhu zvakatanga kuchinja pamusha pamai Janet,
Chikafu vakarima chiripo asi pautano chaipo Jane
nemwana wake namai Jane vese vari vatatu
vaingochinjana kurara pasi. Mai Jane nekuramba
vachikurudzirwa nevanhu kuti vaende kuchipatara
vakazoenda havo ndokunotorwa ropa. Vakaita
mhanza yekuti nurse vaive onduty zuva iri ndimai
vechikuru mazera anamai Jane saka vaivabvunzisisa
pavanonzwa chaipo uye mai Jane vakaita openup
vakatsanangurira nurse vaya zvakaitika kwavari zvese
mumasvondo ane chitsama akapfuura. Nurse wo
vakatora nguva yavo vakaita mai Jane matests ese
avaifungira kuti zvinogona kubatsira mai Jane kana
dambudziko ravo chairo rikawanikwa

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 365 -

End of chapter 38

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 366 -

CHAPTER 39

TINASHE

one month later

I still can't believe zvakaitika kunaRopa, kungonhonga


gold just like that ! Gold haisi 20c ka yekuti
unongonhonga muroad uchifamba.. Kune vanhu vave
nemakore vachishanda basa rechikorokoza iri asi
havasati vambonhonga kana katombo kadukest kacho,
pese pandofunga mari yakaverengwa nabuyer uya
achitambidza Ropa ndonzwa dzungu. Not negodo but
pressure, ndoona kunge I am not man enough kuronga
naRopa nezvefuture yedu..Unoronga sei usina mari
uchirongera babe rine cash?
Parizvino zvese zvatiri kuita naRopa hapana chiri
kubondera tiri muright direction imba yatongosara
zvishoma asi pane 2 rooms dzatakaita kuti dzigarike
nekuti Chido arikuenda kunogarako paweekend.. Ini
ndaisada kuti Chido anogarako ega but she insisted
kuti hapana chinombomuwana chaanongoda kuwana
nzvimbo yekugara achiita business rake.. Inzwai imi,
Chido kamunhu kane muturu mudiki chose asi zviri
mumusoro pamwe ndombopererwa, akakudzwa

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 367 -
nekuva independent at a very very young age. NaRopa
they make a good team nekuti chero pakuronga chaiko
vari vaviri ishasha.
Ndaimboona kunge panyika pano hapana mai
vakanaka samai Tina, kwete pachiso asi paunhu
hweumai chaihwo asi aiwazvee, vakwikwidzwa namai
Lindi. Ndavatya mai ava ndaivaonera mubhotoro
secoke pavaiuya kuBoterekwa, ndaingoonawo kunge
kamukadziwo hako kanongozvitamburira
kanorarama nemusika, I was wrong.Now ukatarisa
ukama hwavepo panamhamha namai Lindi nababa
vaRopa kaa, ivo havo vanamhamha ava vari vaviri
ndivo vanotikurudzira kuti hapana chinofanira
kuchinjisa rudo rwedu naRopa asi ini pamwe
ndomboona kunge baba vaRopa pavachazviziva
havangafari nemavimbiro avanondiita. Ikozvino chese
chinoda munhurume vanoti fonerai Tinashe, ummm.
Ndakanzwawo nezvakawira Gari kuti mwana
waaichengeta haasi wake.. Ndakabatikana but
ndaizomuonepi hangu kuti ndimupewo support
pamwe nekutenda kuchengeta kwaakaita, vamwe
havabati kuchengeta mwana asina chokwadi chekuti
ndewake esp nemauyiro akaita nhumbu yaJane it
takes a real man. Gari kubva paya mwedzi
watosangana agere kumba haana kuzombouya
kubasa.Achamborecover hake ndoziva kuti
akarwadziwa.. Ndaida zvakare neadvise kuti ndoitawo
sei nesituation yandakatarisana nayo.. Kubva
zvatakanga kuvaka kumba kwaRopa handina kumira
basa rangu ndaimukira mugomba semazuva ese, mari
yekubvisirawo Ropa ndave nayo asi pekutangira
handina, Ropa ane zvakawanda zvaari kuronga
kuenda kuchikoro is one of them saka zvinoita here
kuti ndiroore munhu panguwa yakadai ? Patinenge
tiritese anenge achitaura nezvefuture yedu kuti imwe
mari tofanira kuzoishandisa tave tese, ndinobva
ndashaya mhinduro nekuti ini ndoda kuva baba kana
taroorana handidi kuzonzi zvese ndakaitirwa
nemukadzi.. Mhamha mai Lindi kana ndakavatarisa

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 368 -
ndinovaona satete chaivo nekuti kazhinji kana vari
around ini naRopa mashoko avo mazhinji
ndeekutiraira. Ndakaona varivo vanogona
kundibatsira.
Sezvo mhamha ikozvino vave kuspender mazuva
mazhinji varikumusha ndave nemukana wekuenda
Shurugwi kunoona Ropa chero nguva. Ndakabuda
pamba rimwe zuva ndichida kuenda pazvimota
zveShurugwi ndichibva ndasanganidzana nemota
yamhamha mai Lindi pedo neparoad. Ndakazviudza
kuti kuda vaperekedza Ropa asi ndakaona varivega.
Ndakatozopinda mumota tichibva tadzoka kumba
tese.
Vakasvikogara parupasa chaipo pamumvuri vakati
vauya kuzoona ini, hana yangu yakabika manhanga
ndikati kuda pane zvaitika kunaRopa.
Her:::::"Huya ugare pasi pedyo neni apa mwanangu
titaure"
Ndakanyahwaira ndokunogara pedyo navo hana
ichida kubuda mutshirt..
Her::::::"Tinashe mwanangu, ndakakuongorora kubva
mazuva mashoma apfuura ayo urikudyika moyo taura
neni. Urikunetswa nei?"
Me::::: "Hapana mhamha ndiri right"
Her::::: "Hausi right mwanangu, dilemma rakanyorwa
pachiso chako rakambonyorwawo pahuma yangu iyi"
(vanodaro vachibatabata huma yavo)
Me::::: " Mandibata mhamha. Nyaya yangu
ndeyekuti handidi kuchengetwa naRopa ndoda
kuva soulmate yake kwete mutoro wake.. I love
Ropa mhamha and ndoda kumuroora but..."
Her::::: "Right! But iyoyo ndoyandisimudza kusvika
pano.. Unoziva ndinogara ndine basa rakawanda and
handingapise mafuta for nothing ndichiuya kuno pasina
zvakakosha zvandisimudza"
Me:::: "Ndoziva mhamha"
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 369 -
Her::::: "Teerera Tinashe, Ropafadzo haasi mwana
wandakabereka newe unozviziva, ndoda kuti unzwisise
kuti handisi kuitira Ropa favour pakutaura newe.. Ndiri
kuitira iwe! Nzira yauri kufamba ndakamboifamba,
bisa fear mwanangu. Wataura nezvemutoro, unoreva
kuti ndingaona baba Ro semutoro kwandiri? Nooo
hazviitike izvozvo ende..."
Me:::::::"Aiwa mhamha ndanga ndisingareveri baba
ndanga ndichirevera.."
Her:::::: (vachismiler) Ndoziva zvawanga uchirevera.
Nekuti Ropa ane mari iwe hauna. Ko ini
wakambofungawo here kuti sei ndakada munhu asina
mari asingazofe zvakare muupenyu akashanda ?. Rudo
mwanangu, tevera hana yako usatongwa nekutya, mari
yakauya kumashure kwerudo.. Ropa haana basa nemari
ane basa nerudo rwenyu. Anokuda"
Me:::::::"Munoona sekudaro mhamha?"
Her:::: "Usamurwadzisa"
Me::::: "Manje vanhu havazoti ndamuroorera mari
yake here?"
Her::::::::: "Vaimbovepi vanhu ivavo pamaidanana?
Chinoteererwa ihana kwete mashoko! Saka iwe unoti
patakadanana nababa vako vanhu vakatiomberera
maoko?"
Ipapo ndakambobatwa nesetswa moziva? Ichokwadi
hapana chaungaita muupenyu kana chakanaka
chaicho vanhu vagokuomberera maoko.. Moyo wangu
wakadzimbikana ndakatarisa mhamha mai Lindi.
Lindi akanaka though asingasvike hake panaRopa asi
dai vaive mumwe munhu vaitamburirei nemwana
wekunhonga vachitadza kuita zvemwana wavo kana
kutondipfimbira mwana wavo? Chokwadi ndakapinda
mubhutsu dzavo ndikaona kuti situation yavo ine
weight kudarika yangu asi nekuda kwerudo haina
kana pairi kuvaaffecter. Kuzoti ini hangu ndiri
kuremerwa nemukadzi ane mari ivo vakatakura
upenyu nemaneeds emunhu asingaone asina

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 370 -
chaanounza mumba. Ndakanzwa kuzvinyarira hangu.
Worse nekutozoona kuti ivo pachavo vanozviona uye
vanozviziva kuti Ropa is humble haabhaiziswi nemari
uye anondida. Ndakapatitswa hangu naivo vakanditi ,
:"Iwe naRopa muri nherera mwanangu, vabereki
venyu mese vakaenda nenzira yakafanana. Kufa
vachitsakatika vasina kuoneka, mukavafunga
munochemana muchinyaradzana.. Zvakaitwa izvi
zvakaitirwa iwe naRopa hazvisi zvaRopa ega. Saka
dai uriwe wakawana mari wairamba Ropa here?"
Me:::::: "Aaaah kwete mhamha ndaisambomuramba
Ropa!"
Her:::::::;"Ndosaka naiyewo achikuda zvakadaro..
Bisa pfungwa yaunayo ndoda kuona positivity
kubva nhasi!"
Me::::::: "Ehoi mhamha"
Her::::::::;:; "Pane chandakaona pauri Tina, dai
waive umwewo munhu kana pangu pamba gedhe
resirivha riya waisamborigumha, hapana
mukomana waLindi anorigumha riya. Handidi
nonsense pamba pangu asi pauri ndakaona
mwanakomana ane unhu. Baba vaRopa vanoda
mwanakomana akaita sewe anovachengeta
mangwana. You never know zvinoita rufu.
Ndinotanga kufa ini zvozodii? Iwe naRopa you step
in. Havana kuzvida zvavari zviya.I need you
muupenyu hwaRopa nababa vake mwanangu. We
all do "
Ini ndirimurume zvandoziva ndega kuti I am a man asi
ndakakundikana nemashoko amhamha mai Lindi
ndichibva ndatanga kusvimha musodzi.. Vakandibata
ruoko vakati :::::::"munhurume anomedza
marwadzo mwanangu haachemi. Ndiripo, mhamha
mai Tina varipo tokutsigirai. Kana uchida kuchata
naRopa pasina kana kubata mari yake tinokupa
that support handiti!"
Me:::::::: "Eheee mhamha"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 371 -
Her:::::::: "Chirega kuchema mwanangu, ndosaka
ndisina kuda kukudanira Shurugwi kana kuuya
naRopa ndoziva type yemunhu wandanga
ndichifambira"
Me::::::: "Ndanga ndakaremerwa mhamha. Ndanga
ndisingawane hope ndichifunga kuti ndoita sei asi
ichokwadi ndanga ndasarudza kusiya Ropa, ndanga
ndisina kudzamisa pfungwa dzangu ndoochokwadi,
handizivi kuti ndingavei musipo!"
Her:::::::"Come here"
Vakadaro mhamha mai Lindi vakavhura maarms avo.
Ndakambonyara kuti ndoita mukwasha rudzii
anopihwa hug naambuya asi ndakatoona kuti ndini
ndiri kutozvinonotsa. Mhamha mai Tina vanondipa all
sort of comfort pandinenge ndakaremerwa asi kuva
mumaarms amhamha mai Lindi I felt like mhamha
vangu vamuka kumakuva, the comfort, the peace and
the warmth. Mother love, ndoyandakanzwa ipapo..
Me::::::::" Maita basa mhamha"
Her::::: "Kwete mhamha vaRo, venyu mese nhaika? "
Me::::::::::(ndakatsikitsira) "Ndizvozvo mhamha"
Her:::::::: "Zvakanaka mwanangu rega ndichimhanya
ndasiya baba Ro havazivi kuti ndaendepi ndowana
vatambura "
Me::::::: "Mofamba zvakanaka mhamha"
Pakasimudza mhamha mai Lindi mota ndakasara
ndikati katanu katanu pfungwa dzeugwara dzandaive
nadzo mumusoro mangu ndichibva ndapfeka the big
boy pants ndikabata chirebvu changu ndikanzwa
chichimara mara netundebvu kuratidza kuti ndakura.
Zuva iri ndakarara ndapedza next move yangu
yandakagara ndichironga. Taking our relationship to
the next level.. Yhaaaa eheee ndozvandaakuita I don't
care who says what!

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 372 -

MAI MARUFU

Dai ndisingatye kufa kutaura kuno


ndakatozvirembedza mumuti. Zvino ndikafunga
mabhutsu andakaona achikahwa umwe murume
akazvisungirira muno muraini ummm handingadi
hangu kurwadziswa nyama yangu..Ini kugara kwese
ndaingorwadziwa nemaitiro ababa Denis ekugara
vachingotivhurumusa pamusha asi ikozvino ndave
kuona kuti vaive right.. Ndokuti pamusha panababa
kana zvichidaro kwete zvavepo izvi.. Muviri wangu
kubva zvandabva Shurugwi hauna kuzomboita
zvakanaka. Usiku handirare ndinorara ndakagara
ndichingoteuka dikita. Zvese izvozvo
ndakanozvitsanangura kuchipatara kunambuya Moyo.
Vaida kutondipa amwe maresults avaiti anobuda
ipapo ipapo asi ini ndakavati kwete vanongozondipa
kamwe ese kana amwe acho abuda anononoka acho..
Ndakatorwa ropa, chikararwa zvese newiwi chaiyo
hapana chavakasiya kutora vachitester
..
Kutambira kuti baba Jane varikugara muziimba
rakakura kudaro uye vachidya tunonaka ini
ndichitambura kudai kunondinetsa. Dai zvirizvo zvega
zvaive nani, Muganhu namai Sheri vakadudza pachena
kuti ndozvinofanira kutovapo.. Kuzvifarira kuti sekuru
vavo vagare nepfambi ini ndichitambura?
Takamuka naJane rimwe zuva ndokunanga
kuchipatara kunorapisa mwana waJane nekunotora
maresults angu. Hana yangu yaingorova
zvaindidikitirisa ndichifamba. Chandaisada kana
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 373 -
kubvira ndafunga inyaya yaBhana kuti pangadaro
pane chandakakokota kwaari !
Kunambuya Moyo ndokwandakatanga Jane achibva
ananga kunorapiwa vana vacheche. Ini chirungu
handichinzwi saka mbuya Moyo vaitsanangura
nechishona..
Her::::: "Mai Marufu chekutanga ndakaita matests
epamuviri mushure mezvamakatsanangura zviya,
makaramba kupiwa maresults zuva riya asi ainge
atovapo....."
Me::::::::: "Ndinayo?!"
Her:::::::::: "Hamuna pamuviri.. Ndakaita zvakare
matests eHIV, "
Me::::;:::"Ndinofa riini?"
Her:::::::::: (Vachiseka) "hamufi nekuti HIV yacho
hamuna""
Ndakati kwanyanu ndikambofamba famba
ndichikwiza ruoko kunge mwana wechikoro arohwa
nateacher muruoko neshamhu.
"Bloodpressure yenyu ndiyo inokwirisa zvisina
kunaka uye panezvese zvandaiti sunungukai
kutsanangura zviya kutadza kurara, kudikitira
usiku, kusagadzikana, kumuka nyama dzakaneta.
Ndine urombo kukuudzai kuti mukaramba
muchigara pfungwa dzakabatikana nekufunga
kudai ndaona maita insomnia kana deppression
chaiyo.."
Me :::::::"Ndochii ichocho? Inouraya here inisomiya
yacho yakabva kunaBhanabhasi here?"
Her ::::::; inokonzereswa nestress. Hongu inouraya
nekuti inokonzeresa heart attack, ndopaya
pamunonzwa kuti munhu angodonha akafa.."
Me :::::; "Baba Jane vachandiurayisa ini! Saka ndoita sei
kuti vadzoke inisomiya iyi isandibata"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 374 -
Her:::::::: "(vachiseka) Hatina mapiritsi anodzosa
baba vekwenyu.. You need counselling "
Me::::::::::"Ndati shona chirungu handichinzwi"
Her:::::::::"Kana ndapedza kutester bp yenyu
zvanhasi ndichakupai munhu achakubatsirai
necounselling, kugara pasi muchikurukura
muchivhura hana yenyu iyewo achikupakurirai
ruzivo rwaanarwo rwunokubatsirai kurerutsa
mutoro wamakatakura, kusiiwa nemurume
ndokuziva kana neni ndiri chirikadzi asi baba
vapenyu vakaenda naMarwei! Asi ka chakakosha
pamazera edu aya kuzvibata. Kumhanya mhanya
hakuna zvakunotibatsira nazvo kunze
kwematambudziko"
Pandakacheuka ndisati ndavapindura ndakaona Jane
akamira pamusuwo akapeta maoko achiratidza kuti
anga akateerera zvanga zvichitaurwa. Nxaaaa zana
risina unhu iri, ungatadza kugogodza here mune vanhu
vakuru? Akabva ati ,
"mune aids mhamha? Ko mimba?"
Nurse :::::::: "Kwete havana zvese izvozvo, all thanks to
you Janet, dai usina kukasira kuvagurisira panzira
vakasvika vese kwavaienda pamwe kana chirwere
vangadai vakatapurirwa, tingadai tichitaura zvimwe
pano, havana chirwere havana pamuviri amai vako"
Jane akaramba akamira akanditarisa zvekuti
ndakanzwa kuzvinyarira.. Ndakatozobvunza pave
paya kuti ko mwana aripi ndopaakandiudza kuti
ambopiwa mubhedha kuda kwenguva yakati ooh iya
yavanoti bhedhi resiti. Ndakatoona kuti chokwadi
mwana anotorwara kudarika ini. Ini ndainge
ndongofarira mumoyo zvimwe zvose handina basa
nazvo chandanga ndichinyanya kutya imimba kana
chirwere, chekungopiwawo, nezuva rimwe here
veduwee.
Mwana waJane akazonzi akakanganisika pakuti Jane
paakamupona haana kukurumidza kuonekwa kuti ane

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 375 -
siki. Akazoonekwa ave nemazuva gumi achimwisa
mwana. Pakanyanya kundirovesa nehana ndepakanzi
Timukudze anogona kuita bofu nekuti maziso ake
atokanganiswa nekuda kwekumwa pamunhu ane siki
ikoko, hanzi nemajoyinzi ake haana simba ! Jane ndaiti
ndikamutarisa kudai ndaiona kuti pfungwa dzake
dzave kure, anoziva nekunzwisisa chinonzi bofu saka
ndakaona kurwadziwa kukuru pachiso chake.
Mwana waJane akamboradzikwa hake kwemaawa
anoita mana nekuda kwemuviri wake wainyanya
kupisa achibva azobudiswa.. Takasvika kumba zuva
ratorereka asi ndakashamisika kuwana Chido avapo.
Chido ndewekuuya nerima ka uya.. Aiita kuimba
kuvharira chivanze kuita kunge munhu anhonga
goridhe..
"Heyi weeee dorega kutinyangadza tine mwana
anorwara uyu"
ndakakwamatata ndichangopinda pachivanze.
Chido :::::::" Timu ega ndiye anorwara ko imi mazodii?
Kwanzii kuchipatara? Iiii mhamha musandiudza kuti
mune nhumbu yemudhara uya ane mazinzeve kunge
gonzo rakateerera..."
Jane :::::::::" Chidooo!"
Her:::::::"Haaa Jane usangokwamatata mhani iwe
Pwido ndadii! Ndotadza kufara zvangu kuti ndaitwa sei
? Mhamha muchiri kuziva kadombo kaRopa kaya
kamakaba muspare umoo?"
Ndakadzikwangwamutsa nzeve ndikati kuda Ropa
adzosa dhayimondi rangu.. Chido akabva abata
muchiuno ndokutsunzunyira maziso achibva ati, ,

End of chapter 39

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 376 -

CHAPTER 40

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 377 -

BOTEREKWA
🌳🌳🌳🌳🌳🌳🌳🌳🌳
BY MAMA LEA
+27815629776

ROPAFADZO

Zvunhu zvakangondichinjira ndakangorivara hangu,


mari inonzi yangu yandinayo pamwe ndinotenderera
musoro kushaya kuti ndoita sei? Hongu imba yatopera
zvayo kwasara zvishoma shoma asi mubvunzo unoti
kana yapera ndochidii? Handigoni kusiya baba
ndichinogara Kadoma, not ivo vega asi mhuri yese! Ini
naLindi naIshe hatigone kuparadzana nekuda kwekuti
ndaita mari. Lindi ave kuchikoro kwake hake asi
maweekends anowanzova kumba.
Chinhu chakazara mumusoro mangu kuwanikwa
naTina handidi kunyepa, ndakambobvunza Lindi akati
uchiri mwanana Ropa dai wamboita zvechikoro, ko
Tina handiti anofanirawo kudzidza? Tomuka ka
tichienda kuchikoro. Kuwanana hazvirevi kuti tobva
tamitisana, tongogara tese asi tisingaite zveunhubu

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 378 -
kusvika tadzidza tapedza. Ndakaudza Lindiwe
akandiseka zvekuti ndakapotsa ndamhanya kutiza
chaiko..
Baba Sheri vakazodzoka havo rimwe zuva varivega,
ndinofara chaizvo kuona munhu anenge abva
kumusha nekuti ndinonzwawo dzekumusha. Mazuva
ano Chido hake ndogara ndichimuona asi naivowo
baba Sheri vakanaka vanotiudza dzinenge dzasiirirwa
naChido. NaChido kana taonana dzinowanda mhani!.
Ndopandakaziva kuti maiguru mai Jane vakambosvika
muno muShurugwi, kwete mutawundi chete asi
pamba pekwaShumba. Ndakanzwa hana kurova, mai
ndovaziva vaya zvemusindo ndozvavo. Muganhu
akaudza baba kuti vanofanira kusvika kumusha
vanovhurira mai Jane hana yavo vasamirira kuti
vadzoke Shurugwi. Neni ndakaonawo ririzano
rakanaka kuti vaviri ava vanopedzerana kumusha,
papi maiJane pavangasvika vakarwisa bamukuru
pamba pavo? Mhamha vakanga voti voendawo nekuti
baba havangafambi nemataxi asi Muganhu akati kuti
musindo usanyanya sekuru ngavamboenda vega.
Semunhu ndaidawo kumbonoona maiguru mai Jane
ndakati ndoeda nababa. Mhamha Mai Shumba
vairatidza kusagutsikana kuti tinodzoka asi haa
hapana kana ane pfungwa yekunogarako zvachose.
Takazotsvakirwa driver anoenda nesu namhamha mai
Lindi. Ndakabva ndatotenga grocery nematenesi
nejira zvekunopa maiguru. Eheka handiti
vakandichengeta kubva zvandakasiiwa nevabereki
vangu?
Kubva zvandakabva kumusha ndaimbonzwa hana
kurova pese pandofunga mai Jane asi ikozvino kana
kumbonzwa panoti tokonyo ndakanyatsorongedzera
zvunhu zvangu kubooty, ndakaseka bamukuru
vachinditi usatakure bag hatinorariko. Ndaive hangu
ndisina chinangwa chekunosiya hope kwamai Jane..
Takaonekana namhamha mai Lindi uku Ishe akaisa
musoro padivi akatarisa baba kunge vanomuona,

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 379 -
ndakanyatsoona kuti arwadziwa arikufunga kuti
havadzoke
Pataitenuka Boterekwa pfungwa nendangariro
zvakambobata moyo ndofunga hangu chakandiita
nherera.. Pamwe gore randichatengawo mota yangu
ndikaona kugozha kwekudriver muBoterekwa
ndopandicharegerera driver wecombi yakauraya
vabereki vangu chero iye akafawo hake.
Takasvika kumba achiri makuseni chaiwo.. Ndakaona
mai Jane vakamira vachipena kuda kuona kuti mota
yananga pamba pavo ndeyani. Vakavhunduka
murume achisvika nemota.. Ini ndaiti pavachaona
bamukuru vachamboita zvekufarira murume vosiyana
neni asi pandakangoti gumbo rekupedzisira kubuda
mumota ndakanzwa voridza mhere vachiti,
ndakakutadzirei Ropafadzo, kutora dhayimondi rangu
pano kunotengesa wochiita hako iwe mupfumi ini
ndichitambura kudai? Dai wakaperera ipapo, ko
murume wangu wawakanotsvakira mu....
Ndakanzwa bamukuru vovapindura nenzwi
rakadzikira asi rakazara ukasha..
Mai Jane, hatina kuvinga drama rako pano, Denis
aiiwanepi nguva yekukusiira dhayimondi iwe
wakasvika achitandadza pano! Check aiiwana nguva
yacho haunyare here kana uchitaura nezvaDenis, itya
Denga iwe!.Hatisi kugara toda kudzokera ndine vaenzi
vekuchurch na2
Her::::::::: (vachipukuta misodzi nekuzvigadzira
gadzira)"Ko murikudzokera here Shumba handiti
mauya kumba here? Domhanya unotora hanga
Chido ndozobhadhara kwa...."
Chiiiii! Hanga yei handidyi hanga ini gara pasi Chido
ndichazokudanai mese naJane pane zvandoda kutaura
nemi
Ndakasekera mumoyo zvangu ndikati baba
vavhundutswa nehanga, chokwadi chero muupenyu
hwavo handioni vachizodya zvakare hanga.. Ini

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 380 -
ndakanga ndotoenda hangu kunevamwe vanana
panze ndichinoona mwana waJane asi baba vakati
vanondida mumba. Makapinda ini namai Jane nababa
naMuganhu, driver akangotisiya akambobuda akati
aizodzoka in 2hrs, aigarirei iye atooneswa drama
achangosvika namai Jane.
Baba :::::::::"Ko vaya vekuJairos Jiri havana kuzodzoka
vachinditsvaka here?"
Mubvunzo uyu wakavhundutsa maiguru asi ndakaona
kuti vashaya chawabvunzirwa vakangouzvura meso
vakatarisa baba sevanoona.
Him::::::::"Mai Jane ndauya, ndakanzwa kuti
wakambosvika kumba kwangu uchinditsvaka "
Pavanhu vakuru hauzoseki hako asi apa baba
introduction yenyaya yavo ndeyekupedza maiguru
kanonaka kese chero vachizviti vanogona kupopota
pakadai unoita weak!
Maiguru :::::::: "Kumba kwenyu! Kana muchiti kwenyu
moreva kupi? "
Bamukuru ::::::::" Wabvunza zvakanaka chose!..Ipo
paya pawakasvika ndopangu.Mai Jane pano pamusha
pano ndakasiira iwe, pachinhambo chekuti unondirasa
kuJairos Jiri kana kundidyisa hanga ine muchetura
ndakazozvitsvakira pangu pekufira. Handinganofiri
kuvatorwa kuvanhu vasingazivi kana kuurawa
nemunhu akaita sewe aneruvengo rwadai, ndakatsvaka
munhu achandiuraya nerudo. Pano chero ukanotora
Bhanabhasi mukazogara naye pano achikuchinjanisai
mese naJane handina kana basa nazvo! Rangu gotwe iri
rakatosiyana nemi muri vaviri, shirt yandakapfeka iyi
ndiye Chido, bhutsu yemiriyoni iyi ndeuyu akagara apa
uyu, ( vachinongedza Ropa) handina kana nzara newe
naJane. Ida anokuda asingakude siyana naye. Kana
zvazongoitikawo ndikava nemeso zvakare ndichadzoka
kwamuri, pano ndoziva kuti hapadiwi vasingaone seni
soo! "

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 381 -
Maiguru::::::::: "Baba Jane murume wangu
ndokumbirawo kuti undi......"
VaMarufu ::::::::::(vachivhundukira) Hezvooo! Gara
baba Jane ndini, zvandanga ndatojaira hangu kunzi
baba Ro, richidanwa zvine rudo neutsanana mukati"
Muganhu :::::::::"Sekuru jekeserai mbuya kuti
makawana vamwe mbuya vanzwisise"
VaMarufu ::::::::"Haaaa iwe muzukuru iwe anozviziva
uyu ndoswera ndichitsanangurei kumunhu akasvika
pamba pangu akaona ini nemudzimai wangu zvese,
ndamuudza wani kuti ndakatsvaka panguwo pekufira
saka papi paangafunga kuti ndaakugara pachitsuwa
ndopangu pekufira Dzave nguvai Ropa?”
Me ::::::::::"Dzichipo baba kana dzokwana
ndokuudzai"
VaMarufu ::::::::: "Dana Janet naChido vapinde muno
Ropa, takamirira vasikana ava mai Denis, ndoda
kugadzirisa nyaya yechibwe chegoridhe.. Harisi
dhayimondi rako riya igoridhe raRopafadzo
raakanhonga pakafira vabereki vake, futi...."
Muganhu ::::::::"Kwete ravakanhonga sekuru,
ravakapiwa namai vavo nababa vavo
vakarisvitswa nenyoka mainini Ropa ava, zvenyu
mbuya zvekungoti chese chese ndechenyu
muchahaka zvinokupenzai tikabaiwa nekumhanya
dunhu rese rinori"
Chido akabvaruka nekuseka asi ini hangu semunhu
mukuru ndakazvibata. Maiguru vakanditarisa kumeso
kunge vatanga kundionera ipapo, neniwo
ndakavatarisa mumboni chaimo ko zvaida ndityei?
Bamukuru:::::::::"Chido, Jane ndini ndakudanai. Jane
akadii mwana ndakanzwa kuti anorwara?
Jane:::::::"Anongorwara"
Bamukuru:::::::: "poor boy!.. Right nyaya iripo ndeiyi
vasikana, ini baba venyu ndiri bofu handioni
ndakakuvara ndichiedzawo kuriritira mhuri yangu,
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 382 -
mese moziva raramiro yangu pano.. Baba venyu harisi
gwara asi ndofarira kusuduruka pandisingadiwe kupa
vanhu mukana wekusununguka. Mukusuduruka umu
ndakanowanawo anoda kuve meso angu, naizvozvo
ndave kumbogara kwandakasarudzwa neubofu
hwangu, anoda kuona kuti ndiri tsvina yemanyoka
ngaauye ikoko achida kushamisira.. Jane namai vako
musha uno ndewenyu itai yamada handimbokubvunzii
sezvandaita izvozvi, andina wandapfuvisa
musandipfuvisa. Ndapedza nemi!!! "
Babamukuru vakabva vati kwanyanu kusimuka
maiguru vachibva vaita zvekuuruka pavakange vagere
kunge varumwa ndokunoti pfurugwada munyasi
mababa vachibva vachema zvakasiririsa vakabata
tsoka dzavo , ,
Ndakatadza Shumba, musasiya musha Murambwi,
mati ndidii nemwana waJane ndega pano akanzi
anogona kuita bofu nekurwara uku! Baba Denis
ndapota, Muganhu taura nasekuru vako!
Ndakavhunduka pakagara zvakare baba pasi vachibva
vabata rushaya ndokudzungudza musoro
nechemumoyo ndikati finish mai Lindi vatorerwa
ndakanzwa voti , Mwari madarireiko pamwana asina
chaanoziva uyu, musarove mwana uyu nezvitadzo
zvamai vake rangai vanhu vakuru mwana haakodzeri
kuva bofu uyu haana kana chaanoziva
Vakabva vasimudza musoro vakatarisa kunaJane
sevanomuona vakati, ,
Jane unomuendesa here mwana wako
kunochengetwa mapofu kana akaita bofu!
Jane namai vake zviso zvakanga zvazara misodzi
namadzihwa vakapindurwa nani baba vangu? Baba
ndakaona kuti zvavanga vafambira vanenge vapedza
apa driver akanga atomirira ndopandakanobusisa
grocery riya neblanket ndikapa maiguru, avakaa haisi
type inoramwa chero vosvotwa zvakadii chekupiwa
vanotambira asi thanks havajaidze, handineiwo nayo

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 383 -
vanonditi thanks vakawandisa..Jane namai vake
vakachema vakatarisa mota ichibuda chivanze
kudarika machemero avakaita zuva rakabuda mota
nechitunha chaDenis pachivanze. Ndakatura befu tave
muroad, handifariri kuona baba vangu vari emotional
sezvavakanga vari pavaitaura namai Jane, dai ndaive
ini Jane namai vake ndaiita peace nekubva kwababa
ava mumusha nekuti zvavaivaita nezvavakasara
vakaita baba vabva zvonyadzisa. Pese pandairangarira
nyaya yemwana waJane hana yangu yairova!

JANET

Zvirikuitika pamwana wangu ndakambozviudzwa


pandaiitwa counselling ndichine pamuviri kuti
ndikamhanya mhanya ndakazvitakura zvinogona
kuzokanganisa mwana. Handina kumhanya mhanya
nekuda kwangu, situation yakandimanikidza.. Ndine
chokwadi chekuti siki handina kuitora kunaBhana
ndakaitora kumagunduru ekuShurugwi.. Vamwe
vanhu vandairara navo ndaitozotya kana kuvatarisa
kana zuva rabuda.. Kubva zvandaudzwa kuti Timu
anogona kuita bofu handirare hope dzichiuya
hamawee, worse nemashoko andakandinyirwa
naChido pandakamuudza nezviri kunetsa panaTimu?
Hameno kuda vakaudzana nababa vake nekuti
naivowo vakandibvunza mubvunzo wandakabvunzwa
naChido kuti saka mwana wako uchabata bhilo here
uchisayina kuti anogara kuJairos Jiri! Mhinduro yangu
inoti kwete wangu mwana haanganogari nevatorwa,
ndave kunzwisisa mistake yandakanga ndaita pakuda
kusayinira baba kuti vaende ikoko...

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 384 -
Mhamha ndakashamisika vachizhamba kuchemera
goridhe raRopa, Chido paakavaudza nezvegoridhe
raRopa kana neni matsananguriro aakaita
ndakanzwisisa kuti goridhe nderaRopa zveshuwa
ende ndakatoona kuti haana kungoriwana chete asi
zvine vadzimu mukati.. Ivo mhamha vakazvinzwisisa
asi munhu agara anofarira drama.. Mashoko ababa
akandirwadza asi vaitaura chokwadi, kuramba
chirema kana bofu kurambawo Mwari nekuti munhu
wese akasikwa nemufananidzo waMwari,
anozorambwa nekuda kweyi? Handina chandinacho
kana shoko zvaro ringadzosa baba kana Ropa
pamusha tikagadzira patakakanganisa pese. Chasara
kwandiri kutambira kuti baba vakawana pavo
pakasununguka, pavachafira vachibatwa zvakanaka
kana pakashayawo chinochinja.. Handina kumboita
godo nemari yaRopa ndakaona zvakakodzera kuti ive
yake nekuti ndiye akafanirana nayo, dai ndirini
ndakaiwana ndingadai ndirikure kunyika
yandisingazive. Kuzoti dai varimhamha dai tese
takatodzingwa pamba vachidya mari yavo vega. Ropa
arikuchengeta baba, mhamha vakatengerwa gumbeze
nematenesi haana kurangarira mavanga eshamhu
aakabva nawo pano, nhasi uno tirikudzeya mashoko
ababa tichidya muriwo une mafuta pamwe netea ine
mukaka yavakambomurovera kuti dai akauya nayo
achibva kujere! Zvese izvozvo hazvina kumudzivisa
kutirangarira. Imba yaari kuvaka mhamha
vakambopopota pavakaudzwa naChido kuti
irikuvakwa vakati ndonoibhumura imba yaari kuvaka
nemari yangu asi Chido akataura chokwadi kuti
mhamha muchenjere kuzoguma maakuchengetwa
mumba imomo naRopa, fungai zvinogona kuitika
mangwana kwete kungopengera mari isiri yenyu, dai
iriyenyu maiitei nayo?
Vakarwadziwa havo mhamha kuudzwa izvozvo
nekamunhu kakaita saChido asi ini ndaakuona kuti
airevesa..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 385 -
Mazuva haana kumirira ini ndiri kushungurudzwa
neurwere hwemwana wangu, mushure mesvondo
mbiri Ropa nababa vabva pamba zvunhu
zvakawedzera kuminama, Timu akatanga kuwedzera
kurwara, kuseni maziso aimuka ane mabori
akavharika kuti dhuma, . Mhamha vakati ndimuke
ndichimupukuta maziso nemukaka wangu asi hapana
chakachinja zvakaramba zvichiita worse. Ukuwo
mhamha vakatowedzera kuperezeka muviri nestress
yekuziva kuti baba variko kuShurugwi namainini
varikufara, kare zvaindirwadza kuona mhamha vangu
vachidyika moyo asi apa ndakangozviudza kuti
indomene iyi baba vaisafanira kubva pano pamusha
dai mhamha vaivada, kana neni ndaisazoitawo
zvandakanga ndovaita pavakazobva. Ndaivanzwa
vachikosora usiku asi kuseni ndaisambobvunza kuti
marara sei kana maswera sei zvayo. Vaigarirei
pavaroyi vakadaro🤷♀
Kurwara kwaTimu kwakandirwadza pakuti samai
vake hapana chandokwanisa kuita kudzivirira ubofu
hwaakuuya pamwana wangu asi kungotarisa
ndakapeta maoko ndakamirira zuva raanomuka
asingachaone zvachose...
Rimwe zuva ndakarara ndakafunga kungonokanda
Timu kuBoterekwa kumakorokoza obvious Gari
aizomanikidza vamwe vake kuita matests aakaita iye
kuti baba vaTimu vawanikwe pane kutambura ndega.
Kupererwa nekutarisa mwana wangu achitambura
usiku ndokwakandinetsa kusvika ndafunga izvi..
Akagara neni ndisina chekumubatsira nacho zvarevei?
Ndakamuka ndikarongedza hembe dzake shoma
mubag ndikamuputira negumbeze ndichibva
ndanyahwaira mhamha vakarara ndokubuda..
Ndakanopinda muchimota chaienda Shurugwi ndikati
ndosarira paUnki turnoff.. Imwe pfungwa vakauya
ndichangogara muchimota ndikaona kuti kunosiira
Ropa mwana uyu ndiyo chete nzira ingabatsira. Ropa
ane mari ende ndikanonoka anoipedza achiita
urongwa hwake.. Ndikanomukumbira mari ndingaita

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 386 -
muyedzo, ave kuziva urwere hwaTimu anomurapisa
nemari yaanayo. Mwana wangu ndewake. Pane
kumurasira kumakorokoza zvirinani kupa Ropafadzo.
Chero akaita bofu Ropa anomuchengeta ane moyo
wakanaka kudarika ini kana mhamha, Chido achiri
mudiki, Ropa akagona kuchengeta baba kusvika
vawanawo akavada.. Vakadiwa nekuda
kwekuchengetwa naRopa.
Ndakakumbira driver kuti asandiburutsa ndaakuenda
Shurugwi. Ndakatarisa Timukudze ndikati
nechemumoyo,
handisi kukurasa mwanangu, uchanditenda rimwe
gore. Handina chandokwanisa kukubatsira nacho
asi ndoda chose kuti ubatsirike ndosaka ndave
kunokusiira mhamha vako vane
zvikwanisiro..Ndichazokuona nerimwe gore kana
ndave kukwanisa kumirawo samai kwauri,
undiregerere Timu asi naRopa uchakura
zvakanaka

Ndakapinda muShurugwi zuva richibuda. Ndakatarisa


pamisika ndikaona pasina vanhu. Ndakapinda mune
imwe shop ndikakumbira bhilo nebepa ndokunyora
tsamba ndikaipfenyeka mugumbeze raTimu..
VanaRopa vakasvika nekamwe kamukomana
ndokutanga kutsvaira ndakangogara ndakavatarisa..
Ndakagara kuda maawa maviri ndakamirira mukana
wekunosiya Timu pasina anondiona..Pazove paya
ndakaona kamukomana kaye komhanya kachidzokera
nekwavakabva nako kuda kaidzokera kumba..Ropa
akasara ave ega nemisika miviri.. Ndakaswederawo
pedyo asi ndakahwanda hangu nekamwe kamota
kakafa kari padivi pemusika wake. Ndakaona
achisimuka kunotaura nevanhu vakanga vasvika
pamusika pamai Shumba ndichibva ndasveverera
ndokunoradzika Timu uyo akanga arara hake pasi
petafura yaRopa. Ndakabva ndanyahwaira
ndichibvapo misodzi ichichururuka, handina

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 387 -
kumbofunga kuti nerimwe zuva ndingazoita zvakadai
kumwana wangu. Ndakananga kwandisingazive
mumoyo mangu muchidudzira mukati kati mashoko
ekuti sorry Timu, sorry Ropa

End of chapter 40

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 388 -

CHAPTER 41

ROPAFADZO

Ndakanzwa kurerukirwa patakabva kumusha nababa


nekuti ikozvino mai Jane havachasweri vachivhimana
neni kana kugara pamusika rimwe ziso rakavhurika
kuti ndojumhiwa namai Jane . Mubvunzo
usingapindurike mumusoro mangu ndewekuti saka
maiguru vachatambira kuti murume aenda vopeta
maoko here? Mai Jane vakarwadziwa nekubva pamba
kwabamukuru handione zvichipera mushe ini.
Ndakarohwa nehana ndaisaziva kuti Chido akaudza
mai vake nezvekadombo kangu, pakupedzisira
ndakazoona kuti akagona nekuti vakazoudzwa
chokwadi chacho nabamukuru asi ivo vairatidza kuti
hapana chitsva chavari kuudzwa, kureva kuti Chido
ainge avaudza hake kuti kadombo ndekangu..
Vaya vakataura nechirungu kuti money talks
vairevesa, imba yatopera kupera chaiko zvekuti
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 389 -
ndakangotambidzwa makey sekutaurirana kwatakaita
nemabhiridha kuti vapedze zvese vongozondipa key
ndonoona.. Takanoona naTina namhamha mai Lindi
patakabva kumusha nababa tikaona kuti zvanaka izvi!
Job done and dusted! Mhamha vakati hakuchade
kugara kusina munhu asi vakati tichagara pasi toronga
sezvo ivo varivo vakamisa Chido kuti anogara ega
hanzi mwana mudikisa hazviite kugara ega..Ipapo
ndakapanzwisisa..Tina akangondichinjira nenguva
diki diki mazuvano hameno kuti chii nhai! Nyaya dzake
dzachinja hadzisisiri dzemanhema nhema
dzataimbotaura dziya, dzave dzevanhu vakuru
chaidzo kana urongwa hwacho unotoona wega
kwatakananga.. Handisi kucomplainer hangu nekuti
kana neniwo mazuvano ndomuda mwana uya
kudarika zvandaimbonzwa mumoyo mangu. Chero
akati nhasi tiroorane handina kana doubt, ndini
ndadiiwo kuva naTina kungatondibatsira toronga
upenyu tiri vaviri tichienda mberi.
Semazuva ese takamukira kumusika naIshe, kubva
zvaenda Lindi kuchikoro Ishe ndiye anomuka
achinoronga pamusika pamai vake ivo havabudi
mumba kuseni vasina kuona kuti baba vadya breakfast
kwayo vageza zvese zvamira zvakanaka vozotevera
kumusika. Takasvika ndokurongedza ndokupedza
Ishe semunhu ane zvakawanda zvekuita kumba
mugarden akabva adzokera hake ndikasara nemisika
yese ndakamirira mhamha. Ndaichinjanisa kuserver
macustomer pangu nepamhamha, pasi paisagarika.
Pane musikana anogara muline medu anowirirana
naLindi akasvikawo pamusika ndikanzwa oti ,
Hezvoo Ropafadzo wakabatsirwa mucheche
rinikoo, ko kuzorarisa mwana pasi petable pane
masvosve apa ndihwo umai hwacho here??
Aitaura akatarisa pasi petable zvakandiita kuti neni
nditarisewo. Ndakavhunduka kuona mwana
akaputirwa nwgumbeze apa akarara peacefully..Hana
yangu yakarova pandakaona kuti mwana uyu

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 390 -
ndiTimukudze, ndakamuona kamwe kumusha asi
mwana haangarase zvekudaro...
"Ropa, mwana waani uyu ukagoita sekuti haumuzive
wani!
Akabvunza futi musikana uya akanditarisa kumeso..
Me ::::::::::"Mwana uyu asiiwa pano namai vake,
bata mwana uyu Cynthia Jane aripadhuze chete !"
ndakamutambidza mwana ndokumhanya kunge huku
yagurwa musoro ndisingazive kwandainanga
kutsvaka Jane asi handina kumuona.. Ndaneta meso
orwadza nekutsvaka ndakabva ndatanga kufunga
ndichidzokera kumusika, ndakaziva kuti Jane handifi
ndakamuwana chero kumusha haako. It's now me and
Timukudze pano pamusika. Ndakamutora hangu
ndokugara ndamirira mhamha kuti vasvike vandiudze
zvekuita, Cynthia akamhanya kudzokera kumba
pandakamutsanangurira kuti mwana ndewani akati
ainoudza mhamha kuti vakasire kuuya kumusika..
Ndakaona kapepa kaibudikira mugumbeze remwana
ndichibva ndakakweva ndikatambirwa nehandwriting
yaJane yekuita kunge pabepa pafamba
dhadha🦢..Ndakambocheuka ndichitarisa tarisa kuti
Jane haasi padhuze here akandiokera ndichitambura
kudai?

📧 Sorry hako Ropa nemutoro wandakupa asi


pavanhu vese vandingafunga ndiwe chete
ungaugona.Chengeta mwana wangu Ropa,
ndinoziva kuti unozvikwanisa nerudo rwuya
rwawakaratidza panababa vedu panguva
yavakanga vasina aimira navo. Munguva pfupi
inotevera Timu anenge ave bofu, handigone
kumirira kuona achiita bofu handina kana
rubatsiro rwandingamupa. Ndine nyadzi
nekuzvishora zvekuti handigone kutarisana newe
ndichikumbira rubatsiro, nzira yandashandisa
ndoziva kuti haina kunaka asi ndapererwa

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 391 -
nezvekufunga Ropa..Ndinoziva kuti kana anewe
zvakawanda zvinogona kuponesa mwana wangu
kudarika kana ndinaye ini..Mwari chaivo vanogona
kumusunungura akatadza kuita bofu kana anewe..
Wakakomborerwa Ropa ini ndakatukwa naMwari
hapana kana chinofamba muupenyu hwangu.
Ndatetereka nesango usarasewo mhamha vangu
Ropa, Chido achakubatsira kuchengeta Timu.. Baba
vedu Ropa ndoziva kuti kana uripo vakachengeteka.
Mwari ave newe

Janet Marufu

Pandakapedza kuverenga tsamba yaJane misodzi


yangu yakanga yaakutonyorovesa gumbeze remwana..
Ndakanzwa munhu akandimbundikira nekumashure
kwangu ndikanzwa neperfume yamhamha mai Lindi
kuti ndivo... Vakabva vatora mwana ndokugara
pachair yaive paopposite pangu ndokutanga
kukatanura mwana zigumbe rainge rakamuputira..
Hazvina kundimisa kuchema nekuti ndaishaya kuti
mucheche abiswa pamukaka uyu ndomutanga nepapi?
Mhamha vakaramba vakanyarara vachirezva havo
mwana. Pava paya vakabva vati, ,
"Ropa mwanangu, dai urimumwe watenda Mwari
nezvaitwa naJane izvi?"
Ndakaita zvekuvhunduka kuti mai vanorevei ava !
"Mhamha kutenda Mwari kuti Jane kuti arasira
mwana wake pandiri? Ndomudii mucheche akadai
ini???, ndotoenda naye izvozvi kunambuya vake
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 392 -
kumusha! Ndoenda sei kuchikoro? Zvandodawo
kuita ndoita sei nemwana kumusana?"
Her:::::: "Aaaah mwanangu ko mwana arasirwa
musango here? Sei usingazvibvunze kuti Jane
paakagara kunjanji paya akangozouya pano pamusika
nhumbu ndokurwadzira pano zvairevei ? Akadii
kurwadzirwa kunjanji? Unoreva kuti kumusha hakuna
matsime here kana madziva maangadai akanda
mwana uyu?Asi aziva kuti akauya naye kwauri mwana
anorarama akazomuona zvakare rimwe gore..."
Me :::::::"Ehee hazvo mhamha asi handizivi
pekutangira ini, adii kupa mbuya vake!"
Her ::::::::"Ukaendesa mwana uyu kumusha anonofa
Ropa, sekuru vake varipo iwe uripo ini ndiripo, mwana
uyu haana chaanoziva. Ndoziva kuti newe urimwana asi
kana ini ndiripo ungatyei nhai Ropa, pazvinooma
zvinooma tiri tese. Tinotaura neMusiki vachaziva
zvavachaita.."
Me ::::::::"Ummm hameno mhamha "
Her :::::::::"Ini handichagari rega ndidzokere kumba
nemwana ndazobva ndomhanyiswa nababa vako
pataudzwa naCynthia vatoziva kuti urikutochemedzwa
kuno nemwana iyeyu. Easy Ropa Mwari havatipe mitoro
inoremera simba ravakatipa "
Mhamha handizivi kuti vanozviita sei ?. Kutora zvunhu
zvakaoma kudaro kungozviita zvakapfava ? Haisi
nyore kuti pamba pavo vagochengeta baba, ini naTimu
kuti moyo munyoro yave mhosva here nhai????
Vakadigaira nemwana mumaoko ndakanyatsoona kuti
pfungwa dzavo dzave dzekusvika kunamudhara
nemwana.. Shungu dzangu dzakadzoka zvakare
ndasara ndega ndave kuzvibvunza kuti chaizvo
ndichazofarawo nechingani uye kana zvaitasei, hapana
mutoro unorema sewekupiwa rusvava rwakadai zera
rino, apa ndopandakachema ndikadana namai vakafa
ndichivaudza ndakatarisa mudenga kuti mhai zvino

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 393 -
ndazotambura chiudzai Mwari kuti aiwa ndaibva
ngavachindipawo nyemwerero pachiso

LINDIWE

Vamwe vangashaya kuti sei tisina kumborambira


mhamha vedu kuti hazviite kuti pamba pedu pagare
bofu tichiriti baba! Marererwo atakaitwa namai Lindi..
Kare ndichiri mudiki ndaitsamwa kuti hatigone kuva
nebreakfast kana lunch in peace tiri four semhuri
nekuda kwamhamha vanongofamba vachikumba
zvimbuya zvemustreet vamwe zvirema vamwe
mbeveve, vese vairaramira pamba pedu.. Kana baba
vakamboedza kuzvivharisa vakatadza.. Ikozvino
ndakura ndave kunzwisisa, hakuna munhu ari
musituation inorwadza akaikumbira kunaMwari kuti
dai yauya pandiri.Zvinongouya mufunge.Moyo
wamhamha wakanaka chose asi ini handiudi nekuti
zvimwe zvacho handingazvigone..
Mhamha vangu chero ukatarisa shamwari dzavo
dzinodudza zviri mumoyo mavo.. Haungabvume kuti
nezvavari vangawirirana nevanhu vanoraramira
mustreet vamwe vanotambura chero vachigara havo
mumba saka rudo rwavo nababa vaRopa harwuna
kundishamisa. Chandinoda pavaviri ava ihappiness
yavo. Mai vangu gave us a good life ini naIshe
nevamwewo vandisingagone kulister mazita avo asi
sezvo vakuru vachiti ukaita chakanaka wazviitira
ukaitawo chakashata wazviitira ikozvino tine brother
yavakachengeta vakaidzidzisa iri overseas
inotochengetawo mhamha.
I have always wanted a baby sister and now I am
blessed I have one. Handizivi kuti Satan anozviita sei?

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 394 -
A beautiful girl like Ropafadzo loitering around the
streets, ndakarwadziwa mhamha vachiti anga ave
kuzogara mustreet nababa vake.dai Mwari
vakazondipa mukana wekuchengeta vana vangu
kusvika vakura. Dzimwe hama hadzigone kuchengeta
nherera.. Imwe nherera yacho inoti kana yawana
pekuchengetwa yoda futi kutemesa vanhu musoro but
hazvisizvo zvandakawana panaRopafadzo. Ane
respect and she is cool haana dzungu. Pamwe
ndaimbochema ndakarara ndichifunga kuti saka
future yake ichazovei? I promised mhamha kuti
ndikapedza chikoro ndikaita lawyer
ndichavachengeta. But now pfungwa dzangu dzanga
dzawedzera Ropa mulist kuti ndikadzidza
ndikashanda ndichamudzidzisawo kuti awane
ramangwana rakanaka asi zvinoita Mwari ka, now ave
nemari yake Ropa ende nekudzikama kwake you
never know kuti ane that fat account. Kazhinji
tikapinda mutown anoda kutitengera this and that but
nooo ndakamuudza kuti asadaro nemari we still have
a lot to invest in nemari iyoyo. I want a bright future
for her, isu vamwe baba vedu vakasiya vatigadzirira
ramangwana but iye it's different. I am glad Mwari
vakamusanganisa naTinashe, anonzwisisa mwana uya
and I foresee a bright future pavari vaviri but first
ndaisuwira kuti vese vazowana dzidzo chero
varipamwechete kuitira mhuri yavachazova nayo..
Maweekends ndinoenda kumba kana ndisina
maassignments akawanda.. Weekend ino ndoyatanga
tichifanira kunoronga kuti kumba kwaRopa kuchagara
ani asi ndakavhunduka kuwana kumba kwave
nemucheche, mwana mudiki akadaro asiyana nevanhu
vakuru vaimbozara pamba, uyu anoda extra care..Who
does that? Kupa mwana mutoro wekuchengeta umwe
mwana ? That's why ndichida kuita lawyer , I want
justice for those who deserve it, I want to be the voice
of the voiceless, to be the eyes of those who can't see!
Chokwadi ndikapedza chikoro vakawanda
vachabatsirika neshungu dzandinadzo..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 395 -
Ndakatoona kuti nyaya yeKadoma haichatobudiriri
nekuti ini ndaida kuti tinogara ini naRopa naChido
mhamha vosara nababa naIshe.Vanosara sei
nekacheche apa Ropa kumuparadzanisa nemwana
wasisi vake I know her, chero achirwadziwa
nezvakaitwa nasisi vake she will never take it out on a
sweet baby like Timu..Though Kadoma kurinani
nekuchikoro kwangu kudhuze handispendi mari
yakawanda patransport maweekends ndakatoona kuti
iyi pfungwa tomboisa mubag tozoiona kana zvunhu
zvamira zvakanaka.Ndinosiririswa naRopa mazuvano,
akangova ega unowana achinamata achichema kuti
Mwari vasunungure Timukudze asaita bofu, anochema
achikumbira simba nenjere kunaMusiki kuti agone
kuita zvaanokwanisa kubatsira Timu. Ini hangu I am
addicted to social media ndakatoona kuti ndokwanisa
kuita research yekutsvaka the best and affordable
specialist anoongorora maziso aTimu kuti chii chaizvo
chingabatsira kuti asaita bofu, haisi nyore veduwee
mwana kungozokurira murima asisina chaanoziva? I
wish kuti agare nemeso ake maviri azoonawo Jane mai
vakamutiza when he needs her the most.

End of chapter 41

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 396 -

Season Finale

NARRATION

Mai Shumba zvavakaenda kumba kwavo nemwana


baba Jane havana kungotambira muzukuru nyore
vakati kwaifanirwa kuendwa kumapurisa Jane
atsvakwe nekuti mwana anoyamwa plus anofanira
kuzvichengetera mwana wake pane kupawo umwe
mwana mutoro asi mai Shumba vakaramba vakati
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 397 -
kusungisa Jane kuzvipa rimwe basa nekuti ndivo
vanongozofambira nyaya dzacho.. Instead mai Shumba
vakati kufonerwe Muganhu anogara pasi namai Jane
avaudze kuti muzukuru akarasirwa kuShurugwi
kunaRopa saka ngavauye vazotora muzukuru wavo.
Mai Shumba vaiziva kuti mai Jane naJane vakafanana
obvious vacharambawo kuchengeta muzukuru.
Chavaisada ndechekuzonzi vakatorera mai Jane
muzukuru wavo nekuti ivo pachavo mai Shumba vaive
ready kuchengeta Timu. Sezvineiwo mai Jane
vakanorambisisa kuti havangagoni kuchengeta Timu
varivega nekuti vakaudza vaMarufu nezveurwere
hwaTimu kuti ngavagere pasi vachengete muzukuru
anorwara vese asi vaMarufu vakasarudza kudzokera
kunamai Shumba saka ngavaonesane ikoko muzukuru
ndewavowo
Mai Shumba havana kumboremerwa nekuvhurira
Timu moyo hana nemusha wavo, vakamutora kunge
mwana waLindi vakaudza Musiki kuti avabatsire
kuchengeta Timu semachengetero avaingoita vose
vaida rubatsiro rwavo kubva kare. Havana kuda kuti
Timu ave mutoro waRopa sezvakanga zvakarongwa
naJane. Vakamuendesa havo kunaspecialist wemaziso
wavakarairwa naLindi , vakaenda vese nasekuru
vemuzukuru. Pakutanga vakanzi pavhiki vaifanira
kudzoka naye kaviri achiongororwa kuti maziso ake
akamira sei asi specialist akavavimbisa kuti Timu
achiri mudiki dambudziko rake rinogona kugadzirika.
Ropa akabhadhara mari yekuti mwana abatsirike
asarasikirwa nemaziso ake..
Jane zvaakasimuka muShurugwi akapfochoka nesango
netsoka akananga kwaasingambozivi kuti aiendepi asi
mumazuva maviri akazviona ave mukati mechakasara
munzvimbo yaive nemapurazi.. Akaonawo vanhu
vakawanda vaiswera vachishanda mumapurazi umu
akatsvakawo nzira yekuti awanewo basa munerimwe
remapurazi aya maikohwewa peas..Akatanga
kushanda asi dambudziko haana kunge afamba
nemapiritsi ake semunhu akabuda mumba achiti

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 398 -
anonokanda mwana kumakorokoza odzoka kumba.
Hongu aive nepfungwa yekuzopfuurira asi aizotanga
adzoka kumba asi hazvina kuzoitika sekudaro saka
Jane akatanga kuraramira mupurazi asi asinganwe
mapiritsi ake!
Kumba kwamai Jane kwakatanga kuchinja kuita kunge
padongo ivo varipo.. Chido akanga oshandira
chinangwa chekunotanga musika wake kuKadoma apa
ainge angomiswa neurongwa hweShurugwi kuti
varonge kuti ndiani anonogara naye Kadoma.. Pamba
aingouya usiku achibuda patema. Mai Jane vakatoona
kuti kumuka vagere vachingochemera murume
akavaramba hazvishande. Upenyu hwavo hwese
vainge vasati vamboita maricho asi apa vakatoona
ariwo chete angavabatsira asi vainotsvakira kure
chaiko kusada kuonekwa nevanhu vemuraini mavo..
Vakachovha mazuva vachimukira kwavakanga
vawana maricho ekufurura chibage. Mai Jane being
mai Jane havana kuda kuita giveup pamurume wavo
asi vaitotsvaka nzira yekudzosa nayo vaMarufu,
vaitozviudza kuti kana kuuraya vangatouraya as long
murume wavo achizopedzisira adzoka pamba chete..
Mazuva akafamba mai Jane vachironga nzira
yekuparadzanisa nayo Miranda naAbel asi vaitodawo
munhu anoenda kumba kwamai Shumba ndiye
wavaizoshandisa asingazivi kuti anodzimika uroyi
hwavo mumba mamai Shumba.. Vakarangarira
Muganhu kuti ndiye anogara achienda Shurugwi..
Vakabuda pamba vachida kuenda kwaMuganhu
kunonyepera kumutuma kuendesa mbatya dzaTimu
dzakasara kumba kwavo vachinyepera kunge vari
kuitira muzukuru Timu mutsa.Pavakabuda pagedhe
pavo vakaona muyenzi wavakanga vasina
kumbofungira kuti angavashanyira panguwa ino
vaMarufu vakatama musha kudai..Bamukuru vavo
vavakaenda navo kuEmpress gore riya vakanga vauya
nemwanakomana wavo wedangwe nemota. Vakanga
vachiitawo kunge munhu uya arikutanga kumhanya
bani vaingotaura zvisinganzwike.. Mwanakomana

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 399 -
wacho ndiye akatozotsanangurira mai Jane kuti baba
vake vave kuvhiringwa naPedzi nemudzimai wake
nekuda kwezvunhu zvavakatengesa. Mai Jane
vakambovhunduka zvekuti vakaudyura meso
vakatarisa kumakuva anaPedzi namai Ropa kunge
painge pane chinyorwa chinoverengeka. Mwana uya
akatsanangura kuti pakatanga baba vake kuita
sedzokuta vakafamba vakanoudzwa kuti vashakabvu
vari kuchemera zvunhu zvavo zvakatengeswa saka
apa vainge vaunganidza mari inonzi ndiyo yakauya
nabamukuru ava mushure mekutengesa midziyo
yanaPedzi...Mai Jane vakatoona kuti ava vakangoripa
mhosva yavo kunaRopa zvinosarira ivo ndivo
vachadzvinywa huro vakarara..List yezvavakatengesa
ivo vaive nayo asi pekutangira kuti mari yacho
vanoiwanepi vainge vasina..
Mukoma wababa Jane akatonyara kuenda Shurugwi
nekuda kwekuti haana kunge amboita hanya nababa
Jane kubva zvavaita bofu.. Haana kutovablamer
nekusuduruka pamusha kwavakaita asi akatuma
Muganhu kuti vanokumbirwa vambouya kumba
naRopa vagadzirise nyaya iyi.. Muganhu paakaenda
Shurugwi vaMarufu vakamboda kuramba kuenda
kumusha asi muzukuru akavanyengerera kuti havasi
kuzviitira ivo asi Ropa. Apa vese vakarovera moyo
kudombo vakasimuka nemota namai Shumba sezvo
driver aivewo kure vakatenuka Boterekwa vonanga
kuUnki naTimu wavo..Mai Jane vakamboda kupenga
kudzinga mai Lindi pamba pavo asi vakaudzwa
nabamukuru ava kuti zvese zvakaitika izvi imhosva
yavo mai Jane vakatadza kuchengetedza imba yavo..
Nyaya dzakataurwa mai Jane ziso richingove panamai
Lindi avo vaive vakazvigezera zvavo
vakambambashira muzukuru wavo uyo airatidza
kunge arimumaoko amai vake chaimo kana kukosora
kana kuchema kubva zvavakasvika pamba. Mai Jane
vakanyara kana kukumbira mwana kuti
vambomubatawo kana kubvunza kuti akadii
zvakavarambira asi mai Shumba moyo wavo
waisadawo kupa mai Jane mwana, hameno
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 400 -
zvakauyawo mumusoro mavo asi havasi munhu
anomboita pfungwa dzakadai
Mashoko akatambwa baba Ro vakamboramba chose
kuti mwana wavo apiwe mari vaida kuti kutengwe
zvakatengeswa opiwa iri midziyo asi mwanakomana
wacho akakumbirisa akati as long Ropa akatambira
mari akazarura moyo wake kwavari baba vavo
dambudziko iri rinobva rapera.. Ropa nekusada
kuramba akagara pamba pamai Jane akangoteerera
mazita evabereki vake achitaurwa zuva rese
akatambira mari, hazvina kutadzisa bamukuru
kutsanangura kuti ndipo pavakadya asi imwe mhosva
irimumaoko amai Jane avo vaingopfikura vakabata
kapepa kane list yezvavakatengesa vasingazive kuti
vonozviwanepi nyaya zvadzaminama kudai! VaMarufu
vakavaudza mai Jane kuti ichi hachisi chikwereti
chinotevererwa naRopa kana nani zvake, ichi
chikwereti chevashakabvu chavanofambira ivo
pachavo kusvika chabhadharwa sezvavaita
kunabamukuru... Kumazuva rodoka vakaita
chikaranga chedzinza ravo vakanotaurira pamakuva
anaPedzi kuti achirega kuramba achizungaidza
mukoma sezvo abvuma mhosva.. Havana kurara
veBulawayo vakadriver usiku ihwohwo asi mashoko
akasiya audzwa mai Jane nabamukuru vakaita kunge
vainge vaonera samhu dzamai Jane dzekuda
kushinhira mai Lindi nekuti bamukuru vakati,
"mainini ini nemi tine meso ekuona zvakanaka
nezvakaipa, izvi zvakanaka izvi tarisai Abel ave
kuita kunge headmaster, ko iye Ropa ndanga
ndatomukanganwa, zvonyadzisa izvi kusvika
pakuchengeterwa nemuzukuru rusvava rwakadai..
Mabasa enyu ese aya maiguru maisaraira Janet
ndakambokuudzai nyaya yekuda kushandirwa
nevana, unomutsiura sei mwana ariye
anokuchengeta? Mugoita zvenyu zvekuda kupara
dzimwe ngozi dzimwe dzakarembera kudai,
murume makadzinga mega hatidi kunzwa kuti
pave nemidzi yoshandiswa munozvinyudza."

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 401 -
Mai Jane vakavhunduka nemashoko aya vakaona kuti
zvavanga vakarongera mai Shumba dai zvambomira
zvingavanetsa.
Kusimuka kwakaita vaMarufu nemhuri yavo mai Jane
vakasara vave vega pamba vachifunga zvakadzama,
vaMarufu havana kana kubvira vabvunza nyaya yaJane
vakangoita kunge pasina nyaya, uku Timu
anotoratidza kuti wave muzukuru wamai Shumba
ndivo vochengeta kwete Ropa. Ko ivo zvavasara vega
nemhosva panogarika here pamba ? Mari vozoiwanepi
yekuripa ngava!

MAI SHUMBA

Mai Jane ndaive ndisati ndambonyatsovaongorora ka


ini, pandakavaona kamwe kuBoterekwa handina
kumbonyanya kuita nezvavo nekuti panguwa iya
ndakanga ndisati ndaziva murume wavo.. Kuenda
kumusha kwavaMarufu kwakandibatsira ndave
kuziva nzira yandinofanira kutora kurerutsa upenyu
hwababa Ro.. Murume wese anofara mumba kana vana
vake zvichivafambira zvakanaka. Kuregerera Ropa
naChido kuvapa gwara rakananga kuneramangwana
ravo ndichiti mai Jane vachazodai kutozvinonotsa
kuye. Havana kana chavanacho mumusoro mavo
chinovaka kunze kwekungofunga zvinoparadza, infact
chero kufunga kwacho kutori kushoma. Chokwadi
ungadikitira kusvika mukati mehembe uchitengesa
midziyo yevamwe vanhu yavakashandira iwe uchiona
pane mwana! Mari yacho vakaiisepi hezvo Ropa
aingotetereka mumakorokoza mwana mudiki akadaro
! Pandakaona kuti havanyatsofunga zviri straight
havana kana kubvunza Timu ndinaye ndakamubata

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 402 -
mumaoko kana kutaura nezvake mwana as if havazivi
zvakasiya zvaitwa naJane..Kutofinyama kunge
takapamba mwana nhaimi! Vamwe vanamai sooka!
Saka vanofunga kuti Ropa arikuchengetera Timu
muchuru here zvavakatadza kana kuti dankie
nekundichengeterawo muzukuru wangu kumba
kwenyu..Kuzobira kunditarisa kunge ndavarambidza
kuona Timu.. Ndakanzwa kuvashora mhani ndosaka
vachiriritirwa nepwere yakaita saChido havana kana
moyo, ipapa vakatomirira Timu kuti agone kufamba
vagozomutora aende Boterekwa manje hasha
dzandakasimuka nadzo pamba pavo uyu ndiye
wavasingawane as long he is still under my watch!
Ndaakutomuchengetera izvozvo chabva kumba kwavo
chikauya kwangu chero ikava huku chaiyo haidzoke, I
will make damn sure of that!
Patakabva kuUnki ndakawedzera kuda Timu, Ropa,
Chido nababa vavo. Those people are now my
responsibility and sababa Ropa ndakatoona kuti why
murume mukuru vainge vasarudza kufira mustreet,
hakuna mukadzi akadaro.. Ndakaona tachembedzana
naAbel pasina kana anouya kuzochallenger kuti
murume wangu. Kana ari Timu chero akazokura
akatetereka nenyika zvekusadzoka as long ndamupa a
good life panguwa ino Mwari ndozvega zvawanongoda
kunyanya kumainnocent souls aya. Timu haaite bofu
ndiripo chero imba ndotengesa tikanoroja muone
room tose takawanda kudaro. Anofanira kuona
mwana uyu kunyadzisa Satan. He must be a living
testimony upenyu hwake hwese anofanira kupupura
kugona kwaNyadenga mai Jane vachinzwa.
Ndaigadzirira hangu muzukuru wangu bhotoro rake
kuti amwe mukaka arare hake, tainge tava nemazuva
maviri tabva Unki.. Baba Ro vakapinda mumba
ndainge ndisina kana kumbotaura navo nezvenyaya
dzavainge vafambira kumusha nekuti ndaiona kuti
vachakabatikana.. Ndakanzwa voti ,
mai Lindi, kubva zvatakabva Unki wakangonyarara
chii! Timu haasi kuita zvakanaka here?
Written by Mai LEANAGE
BOTEREKWA - 403 -
Me ::::::::: "Timu ari right chose baba Ro tiri kutoenda
naye mangwana naRopa kuthird appointment yake
kwaspecialist kuye"
Him ::::::::"Manje urikudyiwa nei? Madeko hauna
kurara wanga uchigopinduka chii mai Lindi!"
Me :::::::::" Ndine stress yevana baba Ro, huyai mugare
pabed apa munganzwa makumbo nekumira"
Him:::::::(vachigara pasi) "Vana? Vaita sei vana
varikuita misikanzwa here?"
Me :::::: "Aaa kwete baba, havana kana misikanzwa ava.
Ndoda kuti vana vaende kuchikoro baba, Ropa naChido
hapana imwe nhaka yatingavapa ini nemi kunze
kwekuti vadzidze vazogona kumira netsoka dzavo
mangwana, upenyu hahuzikanwe sekuru vaTimu"
Him ::::::: "Kuda hake Ropa mai Lindi, Chido
handigone kumuendesa kuchikoro nemari ipi nhai
mai mwana? Hatigone kutora mari yaRopafadzo
tichiendesa Chido kuchikoro ikozvino hona kuti
akabisa mari yekuti Timu arapiwe, hona muno
mumba zvaakatiitira tomupa umwe mutoro
wekuchengeta umwe mwana?"
Me "Baba Ropa, kudzidzisa Chido hakudi kuti titange
tapfuma, ipapa mune mari yenyu iri kupinda yandakati
musaibata iya regai iwande muzoitawo something
yekubasa kwenyu, torai mukana iwoyo muitire gotwe
renyu chinhu one chamuchava proud nacho upenyu
hwenyu hwese kuti makadzidzisa mwana wenyu,
mopaonawo sei?"
Him "Mai Lindi urimutumwa wedenga chaiye,
ndaive ndisina kumbozvifunga"
Me "Vana vangatengesa musika nhasi baba asika
musika hauna ramangwana rakajeka hezvo zvinhu
zvave kungochinja chinja munyika"
Him "Saka toparonga sei apa mhamha toda
kutorara tapapedza"

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 404 -
Me ::::::::"Isu hatidi vanhu pano baba, toda kumboonana
nhaika! Vanhu vachanodzidza Kadoma ndichataura
nevamwe aunt vekuchurch vaida basa vanogara navo
ikoko Chido naRopa naLindi, obvious Lindi anenge ave
weko maweekends..Hapana asingazive nhamo pavana
ava handione vachizonetsa nemisikanzwa isu tinopota
tichienda kunovaona.Pano panosara vakomana ava
Timu naIshe chete"
Him :::::::: "Ipapo wagona mai Lindi, tinopota
tichienda ko tichinovadongorera, wozotarisa
muaccount mangu kuti makamira sei! Chokwadi
ndave nenguva ndisina kana kumboibata mari iya
anombochovha Chido kana yaperawo tinenge
tichiona plan, ko mari yacho inopinda nganiko?"
Me :::::: "Haambosiire panzira chikoro tiripo
anotopedza, regai nditaure naRopa aone kuti
angamuuyisa sei Chido kuno. Mwana haangasweri
achishandira mai zera riya zvozodii mberi uko?"
Ini kana ndaronga chinhu handinonoke, zvese
zvemisika ndakazvimisa one time, vanhu kuchikoro.
Kana Tina ndakagara naye pasi ndikamuonesa kuti
zvakakosha kuti iyewo awane mukana wakakura
wekugadzirira ramangwana rake naRopa pane
kumhanyira kuroorana, akanzwisisa hake akati
aizomumirira musikana wake kusvika apedza chikoro,
ane makore manganiko Ropa arikuchikoro munhu
anga ave form 3 manje manje anonyora O'level yake
votangira ipapo.
Aunt vainogara nevasikana munhu wechikuru chaiye
anotove nezvizukuru, ndakati vatore chizukuru chavo
chavanogara nacho vaende nacho.. Vasikana vakafara
kuti vave kuenda kuchikoro pamwe nekunogara
kunew house , Chido akanga ane mari yake yakawanda
chose ndopandakaona kuti mwana akayaruka achiri
mudiki uyu , kuzoziva kusungirira mari. Ndiyo yaakati
ave kushandisa kutenga mauniform
nemabook.Takaenda navo nababa tikanoita svondo
rese tiriko tichiona kuti zvese zvamira zvakanaka.

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 405 -
Ropa akati ndimubatsire kusarudza furniture
yekushongedza mumba make pamari yakanga
kunabamukuru vake, haana kana cent raakadya hanzi
ndoda kutenga zvunhu zvakafanana nezvataive nazvo
kuEmpress ndigogara ndichionera vabereki vangu
ipapo..Haaaa ndikapinda naye mutown imba changove
chirungu.. PaKadoma pedo chaizvo hatimbotane
kusvika nababa Ro tichizoona vana, Ropa aitoda kuti
titame Shurugwi tinogara Kadoma asi ummm tichiri
kumboda space nababa Ro tichiona hedu muzukuru
wedu. Ropa akatipa mari yaakati tigare nayo kuitira
kana mukaka ukapera, mapumper nekutenga
mishonga yatinenge tanzi titenge naspecialist
waTimu.. Mari yaRopa kuvepo kwayo
kwakandibatsira handidi kunyepa, moziva vana they
are unpredictable. Mangwana vanaIshe ivava
unozonzwa voti mhamha vakatambisa mari yedu
yatakasiirwa nababa vedu saka zvakanaka chose
ikozvino kuti vaone Chido achidzidziswa nababa vake
uyuwo Ropa achizvidzidzisa pamwe nekuchengeta
Timu. Vane pfungwa ndozviziva kuti vanotoona kuti
zvizhinji tinoitirwa naRopa pamba mangwana
handizoite dambudziko nevana vangu though
ndichimbodigger muneyedu imomo asi zvasiyana
nekumira nemari yababa vavo chete.
Timukudze maziso ake arikuchinja chose kana zviya
zvekumuka akati dhuma nemabori zvakapera.
Ikozvino anomuka ari clear ende sezvandakaudzwa
naspecialist wake ndinotoedza kuseni kwega kwega
kumufambisira something kuface kwake kuti ndione
kana achiona asi ndinotoona achiteverera nemaziso
kuratidza kuti anoona. Akarasikirwa nemaziso ake
completely under my watch ringava ronda risingapere
muupenyu hwangu. Ndoda kuti Ropa adzidze asina
stress, I promised her kuti ndichachengeta Timu uye
akabisa mari yake nehana yakachena kuti mwana
arapike maziso ake anake saka ndozvandoda
panaTimu..

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 406 -
Well, vanhu variko kuchikoro hakuna kana complain
naaunt vavo vanoti vagere zvakanaka chose munhu
nemunhu aribusy nemabook ake hapana nguva
yekutamba uye Lindi anouya every weekend
anombovabatsira chose nemabook.Mai Jane
tinongonzwa nevazukuru kuti kana pamba
havachagare vave kungoswera kumaricho hanzi vakati
ndoda kuripa mwana waPedzi zvinhu zvevabereki
vake ndanzwa nekuzungaidzwa usiku pamwe
ndomuka ndakarara padivi pemakuva. Zvamai Jane
idrama rega apa kana basa nemuzukuru havana, mai
Sheri naMuganhu ndivo vanochinjana kuuya svondo
rega rega kuzoona mwana..

End of ssn 1

Handei kuseason yepiri yebook Boterekwa


tinzwe kuti Timu meso akamusiira papi uye
Jane arikurarama sei mumapurazi, vaskana

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 407 -
vanopasa here chikoro vozodii kana vave
nedzidzo yavo?Ropa naTina vanoroorana
here Ropa zvaadzidza? Ko mai Jane
vachangopeta maoko here kuti murume
atorwa pakanaka?
Hatipindei tese paseason 2 inotanga Friday ,
ane chido chekundibatsirawo nebundle kuti
basa riende mberi network icelc netelkom

BOTEREKWA

Munyori… MAI LEANAGE


+27 815 629 776 whatsapp only
+27 744 582 980 for calls only

Written by Mai LEANAGE


BOTEREKWA - 408 -

Written by Mai LEANAGE

You might also like