You are on page 1of 1395

💓💓💓💓💓💓💓💓

Her own decision. 💔


Short story by
Linda mai peace

Cell: +27 611169903

Chapter 1

"Pamela huya uone zvandiri kuona shaa, kana


ndichisingonzwa vanhu vachitaura nhasi
ndazozvionera ndega shaa hona hako".

Ndini zvangu ndaidaidza friend yangu kuti


izoonawo video yandaiona muphone mangu.
Tainge tichitobva hedu kuchikoro izvi ndaive
ndakanguva ndazviona kare asi ndaingoda
chete kuti Pamela azvionewo ko zvimwe hazvidi
kuti uite seunoziva zvinhu kare.

Pamela akatouya achimhanya kuzoona kuti


chaive chii chandaimudaidzira.

Achisvika ndakabva ndangoplayer zvangu video


iya, kungoti baa kwaakaita akaita kakuvhunduka
achidzokera kumashure,
akaratidza kutya chaiko akazoti pave paya apa
ainge akabata pachipfuva kureva kuti ainge
arohwa nehana.

"Sifiso shaaa zvauri kuona izvozvo


hazvitenderwi kuonekwa nesu shaa
ndezvevakuru izvi isu mhama vedu
havatitenderi kuona zvakadai.Tinoona zvimwe
zvisina kudai".
"Haaa ndiko kupusaka ikoko vana Pamela kuda
kuzviita vana sister holy muchapfuurwa
nezvakawanda, pane zvinorambidzwa
kuonekwa nekuti zvakaita sei, chigara
wakadaro wakapusa stereki".

Takazoparadzana naPamela umwe neumwe


onanga kumba kwavo, aive andibhowa big time
kupusa ndiko kwaimudaro.

Ndichisvika kumba ndakabva ndatofunga kuisa


nhare yangu pacharger sezvo yainge isina
moto. Sezvo ndaiziva kuti manheru ndipo
pandaienda pazvirongwa zvese zvakaita se
WhatsApp, Facebook, ne tiktok . Aiwa
ndaingoda hangu kutenda vabereki vangu vaive
kunze kwenyika vainge vakandigonera pasi
nekudenga nekuti panhare yangu ndipo
ndaiwana dhotikomu rese.
Zvinova zvakazoita kuti ndikurumidze kuziva
zvisina zero neni.

Ndainge ndiri form 1 zita rangu ndinoitwa Sifiso


ndaigara zvangu kumaruzevha. Asi kana pari
pamucheno ndaivharisa ruzevha rwese
vasikana vazhini vaitondivenga pachikoro
nekuti ndaivakurira kuchena.

Kana uri musi weChitatatu taienda zvedu


kuchikoro takapfeka mbatya dzedu nekuti ndiro
raiva zuva rekusiya tawacha mauniform.

Ndiri form 1 kudaro maticha pachikoro ainge


otondichochora nekuda kwekuti ndainge ndine
body hombe.

Ndaiti kana ndakapfeka unform yangu


yaindigara zvekuti ndaitoita fanika ndakaisa
cabbage kuback aiwa burkina faso ndainge
ndakapuhwa zvangu.

Pachikoro ndainge ndine friend yangu yainzi


Pamela. Aisava nezvipfeko zvakawanda
kazhinji ndaitoti kana tofamba ndomupawo
hembe dzangu kuti aonekerewo.

Pamba ndaigara nezvivapfanha zvangu zviviri


chisikana 6 years ne chikomana 3 years, vana
ndaigona hangu kuchengeta nekuti hapana
chataishaya.
Kuziva kwandainge ndoita mavideo eporn
andaiona muphone mangu kwakaita kuti ndive
nechidokwa dokwa chekuitawo zvaiitwa paporn
pacho.

Rimwe zuva iri weekend ndakatogara zvangu


pamushana ndichiona zvangu mavideo angu
ndakanzwa kubatwa pabendekete
ndakatorohwa nehana kuti aive ani.
Pandakacheuka kudai ndakaona ari umwe
mukomana wemuraini medu ainzi Brian uye
taidzidza pachikoro chimwechete iye aiva form
5.

Izvo anenge aive atonguri auya hake


achingoona mavideo andaiona nekumashure
kwangu ndisingamuoni..

Pandakamuona ndakamboda kuvhunduka asi


semunhu wandaiziva ndakabva ndangochilla
zvangu.

Iye akabva atotanga kundibvunza kuti


"unozvigona here zvanga zvichiita vanhu avo?"

Ndakacheuka ndokumutarisa kumeso chaiko


kuti ko airevei.

Ipapo akabva atonditarisawo mumazizo chaimo,


ndakabva ndangonzwa kupera simba nekuti
ndaive ndagara ndatopindwa muropa
nezvaiitwa pavideo randaive ndichiona.

Takabva tatowirirana naBrian kuti taizopota


tichidzidzisana kuita zvaiitwa mumavideo aya.
Iye Brain wacho akabva atoti ngatitotanga
kudzidzisana nhasi, handina kumboramba
nekuti vavariro yangu yaiva yekuda kunzwa kuti
zvinodii?

Takadungamidzana topinda mumba zvedu kuti


tinodzidzisana kuita zvinhu izvi.

Ipapo handina kumbobatwa nepfungwa yekuti


nemhaka yei tapinda mumba kuti tisaonekwe
nevanhu kureva kuti chinhu chinoitwa vanhu
vakahwanda chakashata.

Ndaive ndatononokerwa nekunzwa kuti zvaidii


and ndaida kunyatsoteedzera zvandaive ndaona
zvichiitwa. Takabvisa hembe dzedu
ndokukanda uko ndokusara tisisina kana
kusimira chinhu kuita hwaAdam na Eva chaiho.
Ndakabva ndangorara pabed kuti tichitanga
kudzidzisana mutambo wedu.

Sezvineiwo Brian akachitanga manje kuita zviya


zvataive taona ndakatomuudza kuti ngatiplaye
video tiite tichinyatsoona chaiko kuti
tisakanganise.

Paakangonoti ndooo chinhu chake


ndokutsimbidzira pane changu ndakauruka
guys ndichiita kubowa semombe chaiyo akada
kuzama kundinyengetedza asi nekurwadza
kwandainge ndanzwa ndainge ndisisadi kana
kuita futi.

Ndakatoshamisika ini kuti ko sei pavideo vanhu


vacho vaitoita sezvaivanakidza izvo zvinhu
zvairwadza kudaro.

Akazoda kuramba ondinyengetedza ndikati


zvanhasi no unozodzoka mangwana toedza futi.

Ndizvo takazowirirana musi uyu iye ndokuenda


kumba kwavo asi akasiya andivimbisa kuti
mangwana hatidi anoramba plus akati
ndichakuvigira mabisvo kuti tizoita ndichidya
hanging.
Haaa ndakati ukangouya nawo handirambi, ko
ndaimadawozve munongoziva kunaka
kwaanoita.

Brian akazoenda hake kumba kwavo ndokusara


ndiri dhuuu kufunga kuti ko sei zvinhu izvi
ndave nenguva ndichizviona kureva kuti vanhu
ava vanozviita havamboratidzi kurwadziwa wani.
Mumoyo mangu ndakazvivimbisa kuti
mangwana ndaida kushinga chete kusvika
zvaita ndigonzwa kuti zvinodii?

*Pamela*

Ummmm guys zvandaive ndaratidzwa naSifiso


ndaida kunoudza mhamha chete ndizvo
zvavaitirambidza asi vamwe vana vachingoona.
Ndichisvika kumba ndiyo nyaya
yandakangosviko tayra ndisina kana
kumboswedza vabereki love ndaive
ndoremerwaka chipfuva yaitova half gig chaiyo.

Pandakavaudza mhamha vakati ndiko kusaka


ndisingadi kukutengerai phone vana hamunzwi
zvino kana awoewon mavideos iwayo
zvozoguma nei ?Vana munorwadziza chokwadi,
vabereki kutotengera fon kuti vawana kutaura
nemhuri yavo iye zare nezvinhuvinhu zvisina
kana zera.

Iyi nyaya inotofanira kuudzwa mai vake chete


vamutsiure pachi.pedo.

Mhamha havana kuda kupedza nguva vakabva


vatofonera mai vaSifiso. Vakatodaira
vakatofara kani nechemumoyo ndakati
mukuiziva nyaya ikuitwa nemwana wenyu hre ?

Mhamha vakaudza mai vaSifiso zvekuti ari kuita


basa rekuona maporn dai mambomutsiura
zvakasimba.
Mai Sifiso : " Zvakanaka mai Pame regai
ndimbomubvunza kuti akuzviitirei isu nhare
takamupa kuti tiwane kutaura naye uye kunzwa
kuti zvakamira sei.
Ndizvo zvakashatira mwana asingafungi
izvozvo chokwadi maita basa vasikana
mongotsiurawo ikoko vasikana kuzvara
kumwechete".

Mai Pame : "Pakanaka ndichaendako


mangwana ndigombonotaura naye."

Vana mhamha vakazopedza havo kutaura asi


ndaive ndotoshaya kuti neni ndanga
ndotaurirewo zvandichazvinyimisa hembe
dzekupfeka naSifiso.
Mhama havana kuda kupedza nguva vakabva
vatoti sezvo kwadoka ndichamukirako kwana
Sifiso makuseni chaiwo achakarara.

*Mai Pame*

"Tisvikewo pano" ndakadaro ndatopinda


mumba ndaida kuona pairara Sifiso vana
vemazuva ano havachatembiki.

Ndakawana hangu achitomuka kugadzirira


pabed pavainge varara , pausmart yaive shasha
kani hawaimboziva kuti vabereki havapo pamba
paitsvairwa nekuitwa zvese. Chirwere changa
chatova ichochi chekuda kuona zvisina zero
naye.
Ndakamuti tione phone yako, ahana hake kuda
kuita nharo. Akabva angondipa, yaiva isina
password.

Ndakabva ndangonanga straight kumavideo ,


ummmmm zvandakaona guys zvakaoma
maphone evana akatakura kurema chokwadi,
wotoshaya kuti zero iroro aimashandisei
mavideo iwayo. Potai muchimbopota
muchibatawo maphone evana venyu muchiona
zvirimo kuti zvine kodzero nezero remwana
wenyu hre?

Ndakamuti "swedera pano Sifiso umbondiudza


wo kuti izvo unozvidii mufon mako zera rako
iroro mwanangu".
Sezvo mai vake vainge vati ndimutsiure handina
kuda kumusiya ndisina kumuudza kuti
anzwisise.

Akaswedera pedo ndokutarisa mufon muya


ndakaona munhu otanga kunyara achitarisa
pasi. Ndikati "saka wava kunyarei handiti
wazvionaka kuti hazviiti zvinonyadzisa, rega
ndisiye ndazvideleta zvese zero rako
haritenderwi kuona izvi wazvinzwaka zero rako
unodzidzei ipapa. Uchenjere kuzotadza
kupedza chikoro nenyaya dzawatanga idzi."
Ndakabvisa zvese zvandaiona kuti
zvaisafanirwa kuonekwa nezero rake.

"Ndaenda chero ndakuyambira, ukaramba


uchizviita hameno zvako ndamba kuudzwa
akawonekwa nembonje pahuma. ."
Ndakabva ndatodzokera hangu kumba kwangu
zvinoita vana soka veduwe zvakaoma chaizvo
unotoshaya kuti ungamuudza sei kuti anzwisise
ndizvo zvakaipira maphone aya

Tinengewo tichiti tagona vabereki tatengera


vana vedu maphone kuti vafambidzanewo
nguva iye 5 seuyu aive namai nababa vasipo
zvanga zvakanaka fani nekuti vaitaura nemhuri
yavo paphone ipapo nguva dzose, zvino vana
vamazuvano tsvoo kuita zvaakaitengererwa
busy kuona zvisina zero naye pedzisire munhu
omitiswa kana kutoita pfambi chaiyo.

*Sifiso*
Aaaaaah mai vaPamela vaitorwara chaiko kana
ndimiwo makamboonepi mai vanotadza
kutengera mwana wavo fon basa kurondana
nefon dzevana vevamwe. Vanotofunga kuti
vandigona zvino ndinongodownloader amwe
mavideos acho haiwa ngavandisiye zvangu
godo rinovanetsa.

Ndakazoswera zvangu ndiri busy kudownloader


mavideo angu aive aitwa deleted.

Mangwana acho Brian akauya nguva dzataive


tataurirana apa vana ndakabva ndangovati
endai kumotamba kwana nhingi vakatomhanya
kuenda zvavo.
Hatina kuda kupedza nguva takabva tatanga
zvedu kuona mavideo apa taiona muphone
make ummmmm ainakidza kani, aive andiigira
mabhisvo ndaiona ndichiita kudya guys.
Pasina nguva Brain akabva atotanga kundibvisa
hembe zvaiitwa nevanhu vataiona takatanga
kutevedzera kubatana kwaavaiita kwese and
zvainakidza ndaiita kunzwa kuchiweti changu
kuchiita kutekenyedzwa.

Zvekuti ndakapedzesera ndonzwa kuda kuti


Brain aise chiweti chake pane changu ko
zvaingooneka zvega guys zvose zvekurwadziwa
zvanezuro zviya ndaive ndatozvikanganwa.

Akazotanga kuchiisa ndakamboda kuviruka


ndanzwa kurwadziwa asi aive akandibata
zvinesimba and akabva aita kumanikidza
chinhu chake zvinesimba kuti chipinde mune
changu.
Ndakangonzwa kuti kaaaa 1 time ndipo
ndakanzwa kurwadziwa zvakanyanya apa iye
ahaana kumira kuita zvaaita.

Veduwe chero mozogara kune zvinhu


zvinorwadza, ndakarwadziwa kani
ndakaipangura mhere but it was too late
ndanga ndatokuvadzwa kare.

Brain akazondibata muromo kuti ndisanzwike


nevanhu kuchema kwandaiita apa
achingopomba chete guys kuita fanika munhu
aipombera vhiri rengoro.

Akazondirega ndaita kudhamba nekurwadziwa


ndipo akatoseka zvake apedza kuita zvinhu
zvake.
Hanzi "unokuvara mupfana ukada kuita zvinhu
zvevakuru now kana takuita futi hazvicharwadzi
ndinodzoka futi mangwana nhasi chimborara
uchipora."

Paakadaro ndakabva ndajamuka ndaive


ndisisadi kana kufa ndakazvivimbisa,
kurwadziwa kwandakaita ipapo ndakatodemba
mai Pamela rairidzo yavaiva vambondipa
makuseni iwo ano chaiwo.

Brain akazodzoka mangwana acho asi


ndakangomurambira pachena ndikamuudza
kuti "ukaramba uchidzoka ndave kuzoudza
mhamha zvawakandiita," akabva atoseka zvake
hanzi ndinongovaudza kuti ndiwe
wakatondidana. Munoiona nyaya yacho guys
Divi rerunhare.

Mazuva akatanga kufamba, pasina vhiki


ndakaona donwe reropa papent rangu handina
hangu kumboita bsa nazvo.

After two weeks ndakatanga kusema chikafu


uye kugara ndichirutsa ndakatoudza Pamela
kuti "hameno kuti chii shaa"
ndokumurondedzera zvese zvandainzwa akati
ahaziviwo kuti zvaikonzerwa nei.

Ndakazoona mangwana acho mai vake vouya


vachinditi gadzira tiende kuchipatara.
Ndakatoshaya kuziva kuti vairevei asi vakati
vainge vanzi namhamha vaende neni pane
zvaidiwa ikoko.

Musi uyu handina kutoenda kuchikoro


ndakagadzira ndokuenda kuclinic kuya.
Takasvika ivo hameno zvavakanotaura neumwe
nurse ndobva ndadaidzwa kupinda mukati.

Ndakapinda hangu mukati muya ndakasviko


udzwa kuti "enda unoita wiwi mukagaba aka
uuye nayo."

Ndakaita sekudaro ndokudzoka kuvapa wiwi iya


hameno zvavakaita ndokunditi "you are 2 weeks
pregnant."

Moziva ndakadonha pasi ndokutofenda chaiko


hameno kuti ndakatora nguva yakadii
ndokuzomuka masikati chaiwo, zvinoita divi
rerunhare guys runokonzeresa.

Ndakamuka paya mai Pame ndokunditora


todzokera kumba zvanga zvandiomera guys
vana mhamha ndaizovaudza kutiyi apa nezero
rangu rino 12 years veduwee.

Mai Pame vakati "handiti wazviona here Sifiso


zvandaikutsiura musi uno hapana kana mwedzi
ndakutsiura but wakaita nharo. Zvino ndiani
muridzi wenhumbu yako."

Ndaive ndongochema ndaitadza kana


kupindura vakazondipa nguva yekuchema,
shungu dzaserera ndokuzondibvunza zvakare.

Ndakazova rondedzera zvese vakabva vati


"nyaya iripo ndave kutomboudza vaberiki vako
tonzwa kuti vachatii tozobva ipapo tichienda
mberi."
*Mai Pame*

Panga pazooma zvino mwana ane 12 years


kuita nhumbu pafungei guys. Nyaya yanga
yonyanyondiomera ndeyekuti ndaizoudza sei
vabereki vake.

Yooo zvaisiririsa kani vana vedu ava vanoita


zvimwe zvinhu zvinozoshungurudza isu
vabereki.

Ndakazongoshinga hangu kuvafonera


ndichirutsa zvaivapo. Vakarwadziwa guys
handididi kunyepa vakazoti ndiende naye
kupolice nekuti aive under age. Takabva
tatonanga kupolice kuya kuno reporter nyaya
yedu.
Takasvika iye ndokurondedzera nyaya yake
yese police yakazoti tave kunotora mukomana
wacho kana ave 18 zvichikwira anotopika jeri
chete.

Vakaenda ndokunouya naye mukoma uya


zvaitove chaizvo nekuti mukomana wacho
aitovawo under age.

Akazobvunzwa makore ake ndokuwanikwa ane


15, haa police yakatombopererwa nenyaya iyi,
yakavatenderedza musoro. Nekuti vana
vakangotaura kuti takaita zvinhu izvi
mukuwirirana hakuna akamanikidza umwe.
Mukomana akabvunzwa kuti zvino zvazvadai
aizoita sei?
Akangopindura pachena kuti "hatina
kumbodanana isu."

Mapurisa akazoti imboendai nenyaya yenyu


kwasabhuku kana sabhuku aikonewa moenda
kwaChief kana zvaramba modzoka nayo kuno.

Takazokwesvaira hedu tobva paya apa Sifiso


misodzi yaingova rwizi kuchema.

Ndakaudza vana mhama vake hurongwa


hwaivapo vakandikumbira kuti ndimiririre nyaya
iyi kwese kwaida kuendwa vaizoona zvekuita
pamberi sezvo mazuva avo ekudzoka kuzim
aive asati akwana.

Haa ndaive ndapinda busy guys nhare dzedu


idzi nerimwe divi dzakana asi dzinoparira.

Ndakazofumo enda kwasabhuku kuya


kunoman'ara nyaya yangu. Sabhuku vakabva
vatounganidza vanhu nguva iyoyo , nyaya
yakataurwa vabereki vemukomana vakamboda
kuomesa musoro asi vakangoudzwa
nasabhuku kuti "nyaya yenyu ndaitadza yave
kutoda kwashe kwamuchanoripiswa
zvakawanda nekuti mwana wenyu arikubvuma
kuti akarara nemwana wevaridzi and futi under
age.
Muchanoona kuti pamuchanoripiswa mombe
yamambo nekuzobhadhara mhosva yemwana
wenyu munenge mareutsirwa, dai avharirwa
kumapurisa maizoitasei?"

Vaberiki vaBrain vakazobvuma ndokupihwa


muripo waifanira kubvira pamhosva yainge
yaparwa nemwana wavo.

Vakazonzi vaifanira kubvisa mombe nhatu


dzinotsika.

Vakaita sekudaro asi Brain akazotsidza kuti


mombe dzese idzo dzaisaendera mahara better
kuzoroora hangu kana achinge ave zero
rekuroorwa.
Dare rakazoparara haro mapurisa asabuku
akabva atotumwa kunotinha mombe dziya
kudziisa kwamai Pamela sezvo vabereki
vaSifiso vainge vati dziiswe ikoko.

*Sifiso*

Chero mogara guys zivai kuti phone kana


ukasaziva zvekuishandisa uye kuziva
pekugumira idi unochema, seni nhasi uno ndave
kuchema ndave panguva yakaoma.

12 years here guys ndomuzvarirwa nani mwana


wacho haaa zvino ndazoomerwa neupenyu
handidi kunyepa.

Ko vana mhama pavanouya ndichavaudza kutii


ndinozvitaura ndakamira pai.

Apa mazuva aifamba katumbu kanga


koonekwa zvino kana kuchikoro ndainge
ndisisaendi. Uyuwo Brian aiuya everyday hanzi
"ndauya kuzosimbisa mwana wangu handiti
ndakaroora hre?" Ndakaramba ini but amwe
mazuva aiti akawana pasina vana vaenda
kunotamba aiita zvekundibata hanzi "hapana
chaunoramba watova mukadzi wangu ukada
kuita mawara ndichakuzvarisa vana 3
vanoenderana nemombe dzedu dzamakatora."

Ndaive ndopika jere chairo nekuda kwenhare


ukasaziva zvekuita nayo yakashata kumuzera
wedu vechidiki nekuti inokumanikidza kuita
zvimwe zvinhu zvasina zero newe. Ndinongoda
kukurudzira vechidiki kuti zivai pekugumira
kana watengerwa nhare uye bvumai kutsiurwa
nevakuru nekuti miromo yevakuru kazhinji
haiwire pasi. Ini ndakakundikana kurairika asi
ndinongoda kuudzawo vamwe kuti kuzvibata
uye kuziva chakaipa nechakanaka chinhu
chinokosha muupenyu hwedu tese.
Ngatidzidzei kutanga tafunga tisati taita, nhasi
uno ndinozvipa mhosva nekuda
kwekusatsiurika .
Follow this link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision 💔


By Linda mai Peace

0611169903

Chapter 2

*Sifiso*

Hupenyu hwanga hwazondiomera manje kana


vari sana mhamha vaiti kana vane zvavoda
kuziva kana kutumira vanga vongoudza zvese
mai Pamela.
Ndanga ndave muranda weupenyu zvekuti
dzimwe nguva ndaitombodemba kurasa fon
asi zvaive zvisina chazvaibatsira nekuti yainge
yatodeuka.

Brain ahana kumira kuuya kuzondiita mukadzi,


zvandibowa zvekuti kazvinji aiita
zvekundimanikidza but kutaura chokwadi
ndainge ndisisadi kana kunzwa nezvazvo nekuti
hazvina zvazvaindibatsira.

Dumbu rangu raikura guys zvekuti ndaive


ndongogara pamba hakuna
kwandaimbofambawo kuenda nekuti
vanhu.vaindiseka nekuda kwenhumbu.
Kungoti lucky randakaita ibody yangu yaiva
hombe zvekuti vaisaziva makore angu
vaingofunga kuti age yangu iri right.

Vana mhamha vaitozouya after 3years kureva


kuti vaitozowana muzukuru omhanya . But hana
yairova guys nekuti nemutsamwiro waive
wakaita mhamha ndainzwa hana kurova chaiko.
Zvisinei paizoperawo 3years haaaa
ndainyatsoziva kuti shungu dzinenge dzapera.

Ko izvo zvinhu zvemwana ndaizozviwanepi nhai


veduwe BRAIN wachowo mwana wechikoro
ahana kana chaanacho anotochengetwawo
nevabereki vake.

Nyaya yandaiona yaitova nani kwaitova


kuendera vabereki vake nenyaya yepreparation.

Vabereki vake vaive vanhu vanezvinhu zvavo asi


nyaya yandaiti ndikafunga nezvayo
yaindishungurudza ndega mai vacho vaisada
kana kundiona. Taiti tiikasanga vaipfira mate
pasi votanga kutondinongerera hanzi pfambi
yakaita zvekupfimba mwana wangu.

Mashoko iwayo aindirwadza zvekuti ndaishaya


kuti ndodii? Asi ndakazviudza kuti vakaramba
vachidai ndichavapindura chete.

Umwe musi iri weekend ndakamuka


ndakangozvifunga kuti ndiende kwana Brain
kunotaura kuti ndoda hembe dzemwana.

Ndaiitira kuti sezvo iri weekend baba vacho


vanenge varipo.Pakati peweek vainda kubasa.

Baba vacho vaive vakasununguka zvekuti kana


pandaisangana navo vaitonditi hewo muroora
zvinova zvinhu zvaiita kuti moyo wangu
unyevenuke.

Mazuva aifamba ,zvino dumbu ranga rasikura


kana kuclinic kunotarirwa ndaienda ,
ndaimboda kuzvinzwira usimbe asi mai
vaPamela vaimira kani hanzi enda kuchipatara
unoda kuzotionesa chii nezara rako iroro.

Uyuwo Brian anga asisanyanyi kuuya aive


owuya pano neaapo.
Ndakatoona ndega kuti masamba asiyana uku
nhumbu yacho ndipo yanga yomuda sei
ndaisatoda kushota kumuona, ndaiti zuva
randinenge ndisina kumuona ndaitonzwa kuti
pane chakashota pandiri musi iwoyo.
Rimwe zuva ari.manheru ndichitomufunga
hangu.ndakarara ,ndikati regai ndimboenda
kustatus kwake . Ndakarohwa mehana
pandakaona akazviisa iye neumwe musika
akatonyora hake kuti wife to be,
vakatogrebhana havo moziva handina
kumbenge ndakazvifungira kana kuzvirota kuti
zvingafe zvakaitika kana ,1day.

Ndakabva ndatopindwa nechando zvekutofuga


machiira chaiko.

Ndakazongoisa hangu comment ndichida


kunzwa kuti anotii ndikati nice pic.

Ahana kutora nguva asina zvake kupindura


kwava kutoti thanks ndivo vachazova mai
vevana vangu ava.

Ndakarwadziwa zviya zvekurwadziwa zvekuti


ndaitoda kumuka ndichienda kumba kwavo
tinopedzerana ndiudzeiwo kuti zvazvinodai ko
idzo hembe dzemwana ndinofa ndadziwana her
apa. Ndaitofanira kumukira baba vacho vasati
vabuda sezvo vaiva ivo chete vaindinzwira tsitsi.

Ndakasaver maphoto aya kugallery kwangu


ndaiitira kuti chive chapupu changu mangwana.

Kuchingoedza chete ndakamuka zuva risati


rambobuda ndokutopinda munzira
ndakangogeza kumeso chete.
Ndakasviko wana mai vacho vari ivo vatomuka ,
ndakavakwazisa havana kana kumbodaira
zvavo .
Papera chinguva vakati vatanga kundinongerera
haaaa ndakaitwa kunei veduwe, handina kana
kukwanisa kuvapindura shoko rimwe

Kupopota kwavaiita kwakaita kuti baba vacho


vabve vauyawo mumba muya . Pasina nguva
iye Brian wacho akabvawo angopindawo
paakangondiona chete ndakaona munhu
kufinyamisa kumeso nekutoridza tsamwa
panguva imwechete.

Baba vacho ndivo vakazobvunza apa ini


misodzi yaive yongoerera nematama ko ndaive
ndaudziswaka namai vacho zvekuti ukaita
zvekutamba unogona kunozviisa patambo
chaipo.

Kuudzwa upfambi hwandisina kana kumboita


kana zuva rimwechete zvaro.

Baba vacho vakazobvunza mai vacho kuti ko


munomutukirei aita sei mwana wevanhu
wamunonongerera kudaro. Hamunyari here
mukadzi mukuru zvino nyika ikakunzwai
muchimunongerera kudaro inotii? Munoitirei
fanika munhu asina kuzvara ? Kana wenyu
mwana akaitwa izvozvi zvamuri kuita apa
munofara nazvo here ? Kurai mhani musaite
fanika mwana mudiki munofanira kuziva
chakanaka nechakaipa. Dai makagara maraira
wenyu mwana asina kumbonopfimba mwana
wevaridzi.
Baba vacho pavakangodaro chate ndakanzwa
Brian oti "handina kumbomupfimba ini
mubvunzei hou agere apa kuti ndakamupfimba
ndichiti kudii"?

Paakangodaro akati avadenha baba vake


vakamuudzisa kani kuti uri kutamba nenguva
handigariswe matare maviri newe ini padare
chaipo wakabvuma nemuromo wako iwoyo kuti
unomuziva mwana uyu nhasi chaipa chii?
Hoooo nekuti akurirwa wave kuda kutsvaka
zvitsva ndagara zvose zvaurikuita ndiri
kuzvinzwa manje ndinoda kuzvivharisa zvese
uyu ndiye muroora wangu hakunazve umwe
achatsika pano kanganwa.
Mai Brian : Kana modaro baba hamuchagoni
kutonga munhu anotsvaka mukadzi waanoda .
Ko munomumanikidzirei ? Mamunzwa wani
achitaira kuti ahana kumupfimba madii
manzwawo side remwana akuudzai zvakaitika.

Baba :Handichadi kunzwa nonsense futi


pano pamba hamunyari makaita sei mukadzi
mukuru atadzei mwana iyeyu , musingatoti
lucky angadai akavharirwa mwana wenyu , dai
mwana uyu akada kuita utsinye mungadei
musinaye pano uyu achitori kujeri.

Hamutooni mega kuti hamuna kukwana mese


nemwana wenyu.
Ini ndaive zvino ndasingoti dukudununu,
ndakagara ndakazviunganidza nechekuseri
kwedoor apa vanhu vanga vokangokazhana
nemashoko manje.

Baba ava vaive havo nemoyo wakanaka


ndakatoona kuti apa hapachina zvekunyara
kana kutya mai vacho , ndakabva ndangoti "
baba mazuva angu ekubatsirwa afamba saka
handina hembe dzemwana uye mari yekuenda
kuchipatara".

Pandakatanga kutaura mai vacho vakabva


varidza tsamwa, ndakangoti hanya nani chero
ndatotaura.
Baba. Pakanaka mwanangu hembe dzemwana
tichanotenga navamwene vako ivava chisiya
wandipa fon number yako kuitira kuti ugodzoka
kuzotora zvinhu zvemwana uye mari
yekuzoenda kuchipatara kana tanongobva
kunotenga ndinobva ndangokufonera.

Handina kuda kupedza nguva ndakabva


ndatovapa number dzangu ndokutooneka
hangu.

Ndati fambe fambe ndakaona Brian achiuya


achimhanya hanzi "saka uri kuti wangwara here
unoda mari yei isu takakupai mombe wadii
kutengesa imwe mombe watenga zvinhu
zvemwana wako."
Moziva zvinopedza simba munhu kutoti mwana
wako kana ndimi ndiudzeiwo.

Ndakamupindura ndikati "asi mombe


dzamakabisa hamuna wani kumbotaura kuti
ndedze preparation. Ini handina mombe
yandinotonga zvemombe zvotozikanwa
nevabereki vangu.

Brian : Asi nhai Sifiso unotoda kuzvitora


semukadzi wangu unozviziva here kuti handina
kumbobvira ndakuti ndidewo ,chero pandakati
huya tiite zviri kuitwa apo wakambozamawo
here kuramba kuratidza kuti uri mwana
akarongeka. Chero ndiwe pane munhu
angaroora mukadzi akachipa kudaro anongonzi
huya otobvuma idi unenge waroorera nyika
yese.
Ndaikuda kubva kare Sifiso asi kubva day iro
riya rawakaratidza kuchipa kubvuma kurara
nemunhu wausina kana kumbodanana naye
ndipo moyo wangu wakabva watosviba ipopaya.
Kunyangwe zvako waiva mhandara asi mberi
kwacho ndakatoona kuti apa ndikaroora
ndinenge ndaroorera nyika yese.

Naiwo mazigadziko ako.iwaya anokwezva


varume iwe wacho haugoni kana kudzungudza
musoro. Asi musoro wako ndewedhaka here
wausinga goniwo kudzungudza kuramba. Kana
uchifunga kuti ndichakuroora kanganwa zvako
kurara kose kwandaiita newe ndaitongotsiva
mombe dzedu dzatakabhadhariswa kudare
hadzimboenderi mahara.
Moziva paitaura Brian mashoko iwayo aisviko
nditi dyuuuu pamoyo chaipo kuita fanika
ndabaiwa netsono .

Kune vanhu vanotsvinya kana mozogara guys


Brian aizvitsvira hake.

Kana neni ndakatanga kugaya mashoko ake


apa misodzi ichiita kuerere nematama apa
zidumbi ranga rava uko.

Ndakazongokaruka ndati enough Brian can you


go back please apa ndaiita kubvundisa miromo
neshungu zvekuti dai ndaive ndisina kukurirwa
musi uyu taipedzerana chete.

Atende zvake kuti vabereki vangu vaisavepo ,


dai vaivepo ndingadai ndakamutizira kare
kungoti apa ndaishaya kuti ndodini ndikada
zvekuenda kumba kwavo ndaizosiya vana nani.

Ndicho chete chinhu chaindibata ichocho


handaimbosiya vana vega nekuda
kwekuwanikwa.

Ndakazviudza kuti ndaizongoshinga


kuchengeta mwana wangu kana ndabatsirwa
ko ndaizodiiwo.

Kungoti vana mhama vanga vakandigumbukira


zvakanyanya , regai vagumbuke shuwa neni
ndakatadza hangu. Kutadzawo kushandisa
pfungwa nhasi ndave kuitwa munhu akachipa
nekuda kwekutadza kuzvibata kwandakaita.
Brian akazodzokera kumba kwavo but anga
andizama veduwe ndaishaya wekuzviudza
chokwadi .

Ndakasvika kumba bp yakaita kukwira chaiko


zvekuti masikati makumbo angu anga azvimba.

Akaramba ongowedzera kuzvimba kuda


kufungisisa kwandaiita. Rimwe zuva
ndakazogamuchira call yaibva kuna vatezvara
vachitaura kuti ndizotora hembe dzemwana.

Ndakafara kunge ndichabata denga nekuti


zvinhu zvanga zvondiomera zuva nezuva.

Handina kuda kuverengera ndakatopinda


munzira kuenda kunotora.
Pandakasvika baba vacho vakatoshamusika
nekuzvimba kwandainge ndakaita. Hazvina
kuvafadza vakabva vatoti ndipinde mumota
yavo vaende neni kuclinic.

Pavakataura zvekuclinic mai vacho vagoti


vasunga kumeso veduwe hamuna
chamakaona kune vanhu vane moyo yakashata
zvekuti chero akanzi anoroya haurambi.

Zvino baba vacho ndivo vaive neyese vakabva


vatovaudza kuti siyai zvamuri kuita tiende
nemuroora kuclinic hazvigoni kuti tingotarira
nekuzvimba kwaakaita ikoku.
Mai vaya vakamboda kuti pano nepano zvino
murume ndiye wavaive vakapihwa nemaoko
maviri chaiwo.

Vakangoudzwa ka1 kuti mave kutopedza nguva


ndinezvizhinji zvandinoda kuita asi ndatosiya
nekuda kwezvakaita muroora.

Handei pindai mugare muroora imi mai Brain


mukaita zvetamba muchatevera netsoka nekuti
ndikukudai kuchipatara kwacho. Munhu
anofanira kumira nemuroora wake zvenyu
zvekufinyama izvo zvichapera hazvo.

Ini ndakangopinda mumota muya ndokunogara


kumashure ,ndakaona vamwene voita
kudhonza makumbo vachipinda mumota muya.
Ndakangosekera mumoyo hanging baba ava
vanga vakaona sure.

Mota takazorohwa takananga kuchipatara


kwaisave kure hako.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

💔
Her own decision

By Linda
0611169903

Chapter 3

Mai Sifiso

Ini ndini mai vasifiso wamunoona iyeyu ave


nenhumbu zero rake irori.
Unochema ukazvirega hama dzangu apa
nekwaunenge uri unotoshaya plan kuti woita sei
chaizvo.

Zvino ndaida kumudzidzisa upenyu ndaive ndati


abve pamba asi baba vake ndivo vakaramba
vakati ko vana vanozochengetwa nani uye
azviiti kuti titi aende kunoroorwa nezero rake
irori

Zvinova zvakazondipa kufunga kuti ndimupe


punishment zvekuti ahaizofa akazviita futi.

Haaaa kumwe kuita kwevana kunorwadza


kusvika pabonzo chaipo.

Ndakaudza mai Pamela kuti vapote


vachivatarisa uye kutarisa iye Sifiso wacho
sezvo ainge ave nenhumbu. Hongu ndaida kuti
aone kuoma kweupenyu asi moyo wekubereka
waimboda kundikurira asi ndakatoona kuti
ndikada kuita zvetsitsi haazofi akadzidza
zvakanaka nezvakashata.

Ndakazoudza mai Pame kuti vamukurudzire


kuenda kuchipatara asi ndaisada kana
kumutumira mari yrkutenga zvinhu zvemwana
handiti aive nababa vake here mwana wacho.
Kana sipo zvayo ndaisada kuti azoshandisa
yangu kana apona, nini ndaizosapota iye handiti
ndiye mwana wangu here wake aizozvionerawo
nababa vake.

Musandishora guys nekuti zvimwe zvinhu


zvinoitwa nevana hazvidi kusekererwa
anotozoona seakaita zvakanaka asi
ukamuomesera anozoziva kuoma kweupenyu.

Kuve kunze kwenyika yaisava nyaya yekuti taida


mbiri kwete asi nyaya yekuda kuchengeta mhuri
iyoyi nekuti medu munyika manga musina
kumira zvakanaka.

Ipapo unenge wakafirira hako mwana wacho


busy kupinza zvikomana mumba haaaa izvi
zvinorwadza hazvo. Dai anga akura better
zvainzwisisika kwete12 years haaaa
ndakarwadziwa ini handidi hangu kunyepa.

Ndiudzeiwo 12 years here guys onzi atakura


nhumbu zvichibuda here apa.
*Sifiso*

Takasvika hedu kuchipatara kuya asi ziso


randaipihwa namhamha vaBrian ummm ranga
risina kumira mushe.

Ndakasviko tarirwa zvikanzi bp yangu


yakakwira zvakanyanya , zvekuti zvaigona
kupisa mwana ari mudumbu. Saka vakati
ndaifanira kuitwa operation kuitira kuti mwana
asapiswa nebp yangu saka panga pakatooma
and vakati zvikangononoka mwana anogona
kutofira mudumbu.
Tezvara vangu vakaratidza kubatikana nazvo
vakabvunza kuti todii muroora zvazvadai btr
utofonera vana mhamha uvaudze kuti
ndozviripo.

Baba ndakavapindura kuti mhamha vangu


vaisada kutaura neni.
Zvaitova nyore kwaitova kuudza mai Pame
ndivo vaizoudza vana mhama.

"Baba vakati pakanaaka mwanangu chindipa


number dzababa vako ugobva wangovafonera"

Ndakazovapa number dzadady vangu asi


ndaitotya kuti vakataura nadaddy vanogona
kundiparira ndikadzingwa pamba.
Niniwo ndakazofonera mai Pame ndichivaudza
zvaivepo vakabvawo vatoti chirega ndiudze
vana mhamha vako ndigopindawo munzira
kuuya ikoko.

Manurse ahana kuda kuzoswerero pedza nguva.

Ndakaoparetwa hangu but handina kuita zviya


zvekuurawa ndakandobaiwa injection .

Vakazoita basa ravo but ndaive ndatobatwa


nesvihope.
Ndakazopepuka kwapera chinguva, ndakubata
padumbu pangu ndokunzwa pachirwadza yooo
dumbu riya panga pasisina.

Ndakatobva ndayeuka kuti gara ndanga ndiri


kuoparetwa. Ndakabva ndamboita chinguva
pasina wandaona ndakazoona umwe nurse
opinda ndikati mbuya mwana wangu aripi.

Vakazonotora mwana wangu kuroom kwaaive


hanzi tanga tichimirira kuti umuke tigokupa
mwana wako.

Asati aradzikwa pedyo neni ndakabvunza kuti


mwanai nhai mbuya. Vakabva vangoti "fembera
fembera kuti mwanai" Iniwo semunhu aida
mwana musikana ndakabva ndangoti musikana.
Vakaseka zvavo ndokuti "good girl wabva
wataura chaiye wawapihwa asi ndiye wawanga
uchida here"?

Pandakanzwa vati musikana iiii ndakafara kani


veduwe kana une nhumbu isingadiwi better
hako kubara mwana musikana nekuti
haazonetseri kuenda kumusha kwake semwana
mukomana.

Ko handiti Brian anga andibudira pachena kuti


aisandida nenyaya yekuti aive asina
kumbonditsvetsva. Ipowo pakafamba satan
chaiye paye shuwa kurara nemunhu asina
kumbonditi ndidewo here ndiko kunonzi kupusa
chaiko kutobvuma kutongwa nema feelings
zvakadaro, honai panguva yandave nezero
rangu. Kutaura pafair zvinonyadzisa handidi
kumbozvibhabhadzira ndofanira kugadzirisa
mistake iyoyi.

Nurse vakazorarisa mwana wangu paside neni


ndokuseka zvavo vachitaura kuti "mazuvano
zvaoma vana vongoitawo vana vavo nyika yave
kunoguma iyi"

Nemashoko iwayo vakatobva havo vabuda


ndakasara ndoti dhuuuuu kufunga kuti
mashoko avo anomborevei?

Chokwadi kutaura chokwadi ndega ndaive


ndozviona kuti ummmmm ndakakonewa hangu
12 years ndakazvituka uye kutuka body hombe
kuti yakashata inokufurira kuita zvisizvo
uchiona sewatokura plus nyaya yefon haaa iyo
ndiyo iri dangerous manje.
Chenjerai kungoti vana vapanduka mazuvano
musingaongorori kuti vapandutswa nei zvinhu
zviya hazvina kuchipa guys kungozviona
zvichiitwa mufon newe uri kuona unobva
watopera basa.

Saka kunemi vechidiki vese mune maphone


ndinongoda kukuyambirai kuti shandisai mafon
enyu muchiziva pekugumira musatsvake
zvisina zero nemi. Zvinokusiyai mawira
mugoronga rakadzika serandave kudai.
Ndinokurudzira zvakare kwamuri vabereki kuti
garai muchibatawo mafon evana venyu
muchiongorora zvirimo. Nekuti vana tiri kupinda
mumagroup asina kana zero nesu zvino kana
tanzwa nekuona zvisina zero nesu moyo
wodokwaira kuti dai ndaitawo ndanzwa kuti
zvinodii ipapo chete pakuda kunzwa ndipo pari
kutirasisa, kutipinza mumatope chaiko.

Ndainzwa hangu kufara ndakatarisa mwana


wangu ummmmm anga akafanana naBrian
zvaitobowa.
Ave masikati ndakazoona baba namai vaBrian
vopinda mandaive ummmmm baba vanga
vakaoma ivava handidi hangu kunyepa nekuti
mai vacho vaisada kana kundiona asi baba
vacho vaitovamanikidza chete.

Hongu zvaive zvakanaka hazvo zvavaiita asi


nerimwe divi zvanga zvakashata nekuti munhu
akadaro akaona onyanya kumbandidzirwa
pachinhu chaasingadi anogona kana kutoita
plan yekukurwadzisa zvakanyanya.
Pavakapinda baba vacho vakaratidza kufarira
muzukuru wavo zvakanyanya and vakangosviko
mutora nekumubata vachimurezva kkkk
vaitorezva kunge vairezva mwana ave kuziva.

Vakazoti pave paya ndokutambidza mbuya


muzukuru wavo ndakaona vofinyamisa kumeso
vachitambira mwana nechemumoyo
ndikangotiwo hameno ikoko. Baba vacho ndivo
vakazoti "tauraika vana mai Brian handiti ndiwe
waiti mwana wako akunyeperwa mudiki ahasi
zero rekuzvarisa hezvo chitauraka tinzwe. Une
nubvunzo here pamuzukuru wako uyu kufanana
naBrian zvese kuita fanika mukomana mwana
uyu.

Mai vacho vaive vongobwaidzika vakatarisa


mwana. Ko iye mwana wacho aitoshura kana
kuti kufanana kwaaive akaita nababa vake
ndakati apa Mwari magona henyu mavhara
miromo yevanotaurisa.

Better kurambirwa zvimwe kwete kunzi ndapa


munhu mwana asiri wake.

Pasina nguva mai Pame vakabva vangosvikawo,


ndakati better vasvika vana vamwene varipo
ndizvo vamboonawo kusunaira kunoita mai
vaBrian nekuti nguva dzese ndivo
vaingondikurudzira ndaifanira kutozoenda
kwana Brian kwaiendeka here veduwe pakadai.

Vakakwazisana nababa vacho kuzoti voda


kukwazisa mai vacho kana kutambanudza
zvavo ruoko, ndakangoti mai iyi inoshura chete.
Ko ivo mai Pame vacho vaitovawo neyese kkkk
vakatoridza zvavo chikweee vakati "ko
kwakanaka here nhai mbuya vemuzukuru
mutsva watauya kuzoona uyu."

Havana akapindura asi kuti ivo mbuya vechitsva


vakatofinyamisa kumeso, ndokuisa ziso
pachizukuru chavaiva vakabata.

Vakazondikoroketedza zvavo mai Pame


ndokubva vatoti tionei mucheche wedu
vachitomutora kuna mbuya vake.

Kkkk ndakaseka zvangu mumoyo ndikati


zvasangana nhasi mipengo yega.

Tezvara ndivo vakazotanga havo kuita nyaya


namai Pame apa vamwene ranga rave bhuru
kufuta.

Haaa zvanga zvakaoma kani nechaitsamwisa


ndakatochishayawo ini . Ndokuzoti watizira
kumba kwacho chokwadi unochiona.

Baba vacho vakazoona kuti mukadzi ahachina


mufaro ndokubva vaoneka vakati vaizodzoka
plus vakati kana ndaburitswa ndaifanira
kuvafonera vozonditora kundiendesa kumba
vakati dai zvichigona ndaimboenda kumba
kuitira kuti mwana ambonoita zvimazuva
achionekwa nevanhu vakuru vakati zvaisava
zvakanaka kuti nezero rangu ndingagara
nemwana mucheche ndega.
Mai Pame ndivo vakazodaira kuti hapana hapo
chakaipa asi zvaisaita kuti ndiende kwatezvara
nengari yekuti pamba panga pasina muchengeti
asi vakati vaizotaura nanamhama kuti
zvofambiswa sei? Apa pakataurwa zvese izvi
vamwene vangu vanga vatobuda panze kana
kumbonyara havo.

Vakazowirirana kuti kana vachinge vataura


nanamhamha vauzovaudza kuti zvakamira sei ?
Tezvara vakazotora havo muzukuru wavo
ndokumuoneka netsvodi. Vakasiya vataura kuti
ndisape mwana zita vauzomutumidza ivo
vekumusha kwake.

Takazosara tikaseka hedu namai Pame hanzi


vamwene vako vakaregererwa vanoda
kuzviitisa. Ndakavaudza kuti avatombondide
zvavo kana nepadiki pose.

Ndikavaudza kuti vakatofurira kana nemwana


wavo ahachatondidiwo.

Vakaratidza kubatikana hanzi hazviiti dai


takaziva kuti ndizvo anozoita tingadai
takangotaura kupolice kuti akaita zvekukurepa.
Ndaitofunga kuti munhu kwaye ini izvo marara
samai vake manje hakuna zvakadaro
ndichamira newe kusvika zvanaka.

Vachatasanuka havo mai nemwana


vanombondiziva mushe here?"

Mai Pame vanga vovava manje kkkk


ndakatoshayawo kuziva kuti vairevei
ndakangonyarara ini ko hamenoka kuti
vaizovaita sei.

Mai Pame vakazosiya vapukuta pukuta mwana


nekumuchinja hembe ko sekuru vacho vainge
vatenga hembe dzemari svinu chaiyo apa
ngadziwande.

Mai Pame vaive vauya nedzimwe aaa mwana


wangu anga atove nehembe hobho.

Vakazodzokera havo ndokusara zvangu


kuchipatara nemwana wangu.

Ndainzwa kufara guys handidi kunyepa chinhu


chinongonzi mwana wako chinongofadzawo
hameno kuti ivo vaya vanorasa vana kana
kubvisa nhumbu vane moyo yakaita sei.
Ave mangwana ndakazoburitswa kuchipatara
ndakafonera tezvara vangu sekutaura kwavaive
vaita.

Havana kutora nguva vaive vatosvika vose


navamwene.

Kahunhu katezvara vangu ndaikafarira chero


zvavo vaiita zvekumanikidza vamwene vangu
kuti vauye navo asi zvaitori boe vaitogona.

Vakazonondisiya kumba ndokudzokera havo


asi baba vakati zvaive zvisina kuvaitira
zvakanaka kuti ndisare ndega nemwana mudiki
ndakangovaudza kuti mai Pame vaipota
vachizonditarisa.
Brian

Mwana anonzi Sifiso aitoda kuzviitisa manje ini


ndaisatoda kuitirwa zvisina basa.

Ndakatotenda mhama vangu vaive kuside


kwangu and vaisatomboda kana zvavo
kumuona zvekutoti ini ndaitove nani.
Vakatomboda kundipa mushonga hanzi
wekubvisa nhumbu kuti ndinopa Sifiso abvise
nhumbu yake haaa ipapo ndakajamuka
ndikavaudza kuti mhama uho hwatove uroyi ko
mwana wevanhu akafa tinoita sei.

Izvo ndakazvirambira mudenga chero


ndaisamuda hangu asi kweteka kusvika
pakufunga mweya iwoyo .

Mhama pavakataura zvemushonga wekubvisa


nhumbu ndakabva ndangorangarira sister
yangu yaive yakashaika gore rapera . Aive
angofa zvisina tsarukano asi ndakangozonzwa
vanhu vachingoita ruzeve zeve rwekuti ainge
abviswa nhumbu namai vake.

Ini panguva yandainzwa vanhu vachizvitaura


ndakatombofunga kuti vanhu vainyepa asi
mhama pavakataura zvekuda kubvisa nhumbu
yaSifiso ndakabva ndangoona kuti zveshuwa
mhama vane chekuita nazvo.

Nemhaka yei mhama vaisavhunduka nezvinhu


zvaityisa kudaro.
Follow this link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision

By Linda

0611169903
Chapter 4

*Brian*

Hongu Sifiso ndaisamuda hangu nechikonzero


chandakambotaura chekuchipa asi
ndaisamushuvira zvakashata muupenyu.

Kana mwana ndaisamuda ini guys


zvaitonyadzisa zero rangu kuti zvizikanwe
nemababie kuti ndine mwana ummmmm
zvaimakisa.
Panyaya dzemwana better kubuda padziri
hameno ivo mudhara vaingomira mira kuita
fanika ndivo baba vacho ini ndaisatove kana
nebasa nazvo.

Kanawo vari mom vaitori right dzimwe nguva


but kuzoda kubvisa nhumbu yemuridzi manje ,
ndaisave hangu nehanya kuti ibviswe
chandaityira upenyu hwaiye Sifiso aigona
kuzofa mwana wevaridzi . Ndaisashuvira
munhu zvakaipa hangu muupenyu hwangu even
ndiine zvatakatadzirana.

Kkkk haaa mashura chaiwo zvimwe zvinhu


soka zviri fun chaiko pakasvika mom nadad
vachibva kuclinic kwavaive vaenda naSifiso
ndakatoseka zvangu mudhara vachinditi
makorokoto kwava nemwana musikana uko
wakura mwanangu wochidzikama manje.

Handina kuvadavira ini ndakavarega


vachienderera mberi nenyaya yavo hanzi" dai
zvaigona muroora aiuya pano ogara hake iwe
uchienda hako kuchikoro .

Izvi ndinozvitira kuti miedzo iriko mwanangu


zvawadai watokura chirega kuramba
wongomhanyidzana nevana vevanhu unopara
imwe mhosva pano.

Ini ndakatopedza pane iyeyu


pandakakubhadhari ungadai uri kujeri kutaura
kuno utonditenda zvako nenyaya yekuzivana
kwandinoita nemapurisa epacamb apo
chokwadi nyaya yako yanga yakaoma waifanira
kuvharirwa iwe.
Muroora anofanira kuuya pano nekuti ndiri
kunzwa runyerekupe rwako kumadoro
kwatinofamba. Ukangoita zvimwe ziva kuti neni
tatobudana handipindi panyaya dzako futi."

Haaa mudhara vaitozvipengera chaiko kana


vachida kuona kushata kwerimwe side rangu
ngavaite kuti auye Sifiso wacho chokwadi pano
anopabva nekuti achadya nhopi inegoko.
Handidi zvekuvhiringidzirwa vasikana vangu
nezvinhu zvisina basa ini.

Ndomudii mukadzi wekuti chero ukasangana


naye ukangomukwevera kumakwenzi
anotobvuma, ndinodaro nekuti ndakazvionera
guys musandishora henyu nekuti munhu
unofanira kuona wega kuti uyu munhu iwife
material akadzikama here or ndimazakela.
Nyaya iyoyo ndiyo yakandioresa moyo uye kuti
ndanga ndichiri mwana wechikoro zvekuwana
zvaitozokonzera kuti ndifoile.

Hongu zvevasikana ndaiita hangu asi ndaisada


zvekuroora kwaingova kutandadza nguva.
Seuya akaonekwa naSifiso ari patatus pangu
hongu aive musikana wangu asi kwete zvekuda
kumuroora zvaive zvekungofara chete but
Sifiso ndakamuudza kuti ndiye
wandichazoroora kwaaani kwaitova kuda
kumufizura zvangu ndaisatove nehurongwa
ihoho.

*Mai Sifiso*
Nyaya yaSifiso yanga yondidya moyo zuva
nezuva zvekuti kana muviri wangu wanga
watoderera. Baba vake ndivo vaitombozama
kundisimbisa asi pamoyo chaipo paive nebundu
raisapera. Ndoda pandakazonzwa kuti
aoperetwa ummmmm ndakabatikana hama
woye zvekuti kana sadza chairo ndakatomboita
zvizuva ndisingadyi.

Ndaingofonera mai Pame kuti vapote


vachimutarisawo nemwana wake hongu ndaida
kumuomesera asi nekuda kwemoyo wekuzvara
ummmmm zvinoramba guys.

Baba vacho vakazoti better tibhadhare mai


Pamela sezvo vari ivo varipedo vatore vana
nekutarisa pamba iye Sifiso wacho aende zvake
kumunhu akamimitisa nekuti muno mumba
hamuchina mufaro kana kodzero dzangu
Savana handisi kudziwana. Nemhaka yekuti uri
kungogara uri kwindi nekuda kwenyaya
dzemwana wako akazviregerera.

Baba vaya vanga vave kuchin'a manje zvekuti


kana neni ndakapera simba rese.
Ndakatongoonawo kuti zvaitori btr kuti aende
kwaaive amitisiwa chero tikati mudiki
zvaisabatsira nekuti aive atoziva zvevakuru kare
apa ainge atove nemwana.

Ndakazofonera mai Pame ndokuvaudza


zvaivepo vakaratidza kuzvitsigira nekuti vaiti
vana avatembeki aigona kuzorasiswa kana
kuzopihwa umwe mwana achingori pamba.
Vakati zvakare pavana paisave nechainetsa
sezvo vaive vagara vachingoswera ikoko
vachitamba nevamwe. Vakati zvaisaita kuti
tibhadhare asi kuti ivo vaigona kuti Pame ave
achigara hake kumba kwedu nevana
tichimubhadhara uye achienda kuchikoro.

Ndakazofara nepfungwa yamai Pame yanga


yakanaka chose nekuti ndaitotyirawo kuti
musha wangu waigona kuzofa kana pashaya
aizogarapo.

Ndakazviudza kuti Pamela ndaizomuitira zvese


kuti anyatsochengeta vana nemoyo wose.

Handina kuda kuzopedza nguva ndakabva


ndatongovaudza mai Pame kuti vachienda
naSifiso kwake kwaakasarudza ega.
Ndokutokura kwacho mumoyo zvairwadza
zvaiita kudzimba chaiko kuita fanika mwana
wangu ave kunofa chaiko but
ndakangozvishingisa ndikati zvagara ndiyo
nzira yedu vanhukadzi tese unototi uroorwe
chete.

Kunze kana une zvakakugara ndipo ungarege


hako kuroorwa asi kwete kuda kwako asi
kukonzerwa nezvinenge zvichikukonesa.

Ndaifanira kutozvitambira nekuti ndizvo


zvaivapo panguva yacho, ndaingoshuvira kuti
mwana wangu anogarawo zvakanaka chero
zvake ari mudiki pamakore , asi pabasa yaitova
shumba chaiyo.

Pafungei kuti 2 years dzatanga takabva kumba


aiita zvese zvaidiwa pamba even kurima chaiko
aigona nekuti chibage chaicho vairima
vachingogochawo zvinoita vamwe. Body yake
ndiyo imwe yaindisimbisa nekuti wakamutarisa
awaimbobvuma kuti ane 12 years but anga ave
hake kuzosvitsa 13 mushure me2 month.

Ave manheru emusi uyu mai Pame vakazofona


vachitaura kuti ainge agamuchirwa hake asi
vaiti mukomana wacho ndiye arikuda kujamba -
jamba.
Vaiti zvinogona hazvo kugadzirisika sezvo baba
vacho vari munhu ainzwisisa.

*Mai Brian*

Baba Brian ndaitova shayira pavo chokwadi


kungoti ndaitya zvangu kuti munhu wacho kana
kuri kurova chaiko ummmmm anga asina
kumira zvakanaka.

Kare kwangu ndaibikwa veduwe zvekuti ndega


ndaiona kuti pano ndashandwa nekuda
kwenharo ndaive ndisingadi zvekuudzirwa
zvekuita asi ndakapedzesera ndongotevera
ndaive ndaona kuti chokwadi ndaizochembera
ndaremadzwa. Dzimwe nguva murume ahasi
mwana wamai vako anokunzwira tsitsi. Vane
moyo yedombo vanhu ivava.

Chero kuroorana kwatakaita ini ndaisada


ndaitove newangu wandaida asi iyewo rudo
rwaive rushoma zvaitoita fanika ndaimanikidza.

Asi baba Brian aindida nemoyo wose zvekuti


ndakangozosvika pakugamuchira zvaivepo.
Munombozviziva her kuti munhu waunoda
chaiye nemoyo wese iye ahatorina kana shungu
newe anenge achitoita seunomunetsa. Iye
anenge achitovewo newaanoda but iyewo
waanoda ahamudiwo anenge achitovewo
newake waanorwarirawo iyewo
anewaanorwarirawo zvichingoenda
zvichingodadaro.

Mukanyatsozvicherechedza pakudana apa


panotove ne1 akaperera umwe asina zvake
anenge achitoita fanika ari kusundzwa.

Ndizvo ndaiita ini pana baba ava takasvika


pakuita vana vaviri moyo wangu usiri
panzwimbo. Asi nhasi uno kutaura kudai ini
moyo wangu wave panzvimbo asi wababa ava
hausisiri panzvimbo ndini ndakutoita
sendinovasunda. Regai vakuru vakati ushe
madzoro chokwadi.

Chero pakaitika nyaya havana nguva yekuda


kunzwawo side rangu vanenge vachingoda kuti
zvavanoda ivo zviitwe chete. But ipapo
vanababa mumbopagadzirisa nekuti munoita
fanika mune kaudzvanyiriri ipapo.

Fanika nyaya yemwana ainzi Sifiso hakuna


nyaya yaindirwadza seiyoyo. Ndaisatomboda
hangu kana nepadiki pese kuti adanane
nemwana wangu. Zvino baba vacho vaitomira
kunge ngozi kuita fanika vakadyiswa kumba
kwacho. Haaa zvaindibowa zvisingamboiti
ndaitoda chete kuita plan kuti asiyane nemwana
wangu.

Chero zvose zvekunotenga hembe dzemwana


wacho nekuzoenda naye kuchipatara
kwatakaita kwaitova kufoswa ndaisatoda ini.

Ndakazorwadziwa rimwe zuva ndoona osvikwa


naye namai vepanext door pavo, avo vaitoita
sevakapikwa , handizivi kuti chavairwa chaicho
kuti chaive chiii. Kuda vainyengerera iwo
magrocery akunze kwenyika aitumirwa
nevabereki vacho.

Kusvika kwavakangoita naye ndakabva


ndatosimuka kuenda mubedroom mangu
chaimo bp yanga yatokwira.

Haaa uyu ndiye wandinoitira plan chete apo


handidzori tsvimbo kana kuda kumuona
mumeso angu handidi hangu.

Mirai muone zvenyu ndiye achaudza vamwe


kuti kusina mai hakuendwi.

Ndakagara mubedroom muya uku tumisodzi


twaive.twototi yangarara mumeso angu.
Mwana anga azondishungurudza uyu kusvika
pakupedzisira chaipo kandi chiii chaizvo
chaaimboda pamwana wangu.

Manje pano aipabva rakacheka nyika handidi


nemwana wangu vanhu vepi vakajaidzwa
nxaaaa kufana mai .

Ndakazonzwa ndodaidzwa kukitchen kuya ,


aaaaaa baba ava vaitova imwe miedzo
mihombe chaiyo zvino taizopedzerana naicho
chimuroora chavo chavaida ichocho.

Ndinoda kuchitsivira shungu dzose vanopfidza


chete mai vake apa ndipo ndatovawanira.

Ndakasimuka kuenda kuya kwandainge


ndasheedzwa asi kwaingova kuzvisunda chaiko.

Hapana nyaya yaindirwadza seyemwana iyeyu


ainzi Sifiso chokwadi ndinopika ahambofi aita
muroora wangu. Ndaitomboda kuedza kuita
zino irema asi zvairamba ndaitonzwa pamoyo
pangu kuremerwa chaiko.

Ndaifanira kuzoita plan chete ndaida


kuvapfidzisa mai vake kana vari ivo vaimutuma
kuti auye kumba kwangu manje this time
vanyangira yaona vasafunga kuti ndichakapusa
sakare. Zvino mwana wavo ndiye wandinoda
kuti adye nhopi inegoko pano, handizive mushe
vanhu ava.

Ndichipinda mumba muya ndakaita kunzwa


zibundu kugara pahuro pangu ndakabva
ndangofinyamisa kumeso zvakaonekwa
nemunhu wese .

Ndakaona mai Pame vofinyamisawo pavo ,


chokwadi mai ivava vaitoita sechitumwa
chaicho handizivi kuti vaimbozviona sani
chaizvo. Zuro ndizuro ndivozve vaiva vakamira
kuenda kumapurisa kumatare , mombe
dzikatorwa pano nhasizve ndivo
vadungamidzana nenzanza iyo kuuya nayo
pano tichasanga hedu rimwe zuva ndipo
tichapedzerana.

Ndakawana baba Brian vatogukuchira rumwana


rwacho ummmm ndakawedzera kusvotwa.

Ndisina kana nekugara pasi kwese vakabva


vangoti mai Brian zviya zvandaishuvira
nekugaro demba kuti dai muroora auya
kuzogara pano nemwana nhasi shuviro dzangu
dzazadzikisa.

Handina kuvadavira in ndakabva ndatotarisa


kudivi ndichienda zvangu kunogara pasi haaa
ndaive ndadumbigwa kani. Ndaitongodemba
kuti dai Brian paanodzoka kuchikoro aisviko
dzinga munhu uyu nekamwa kake.
Vaya mai vaive vauya naye vakazooneka
ndokudzokera zvavo, avawo baba Brian
vakabva vangobudawo naicho chizukuru
ndokuenda mubedroom . Takasara tatarisana
zvino ndikabva ndamuti " iwe usafe
wazvinyepera.kuti unofa wakaita muroora
wangu and pano ndipo unobva zvako handidi
kukanganisirwa mwana wangu nezvinhu zvisina
basa, pfambi samai. Zvino ndinoda kuhupedza
hupfambi ihoho ndiwe uchaudza vamwe . Kana
uchitoda kuti zvikunakire mangwana chaiyo
fuma wakanyangarika handidi kumuka
ndichikuona pano wazvinzwaka.

*Sifiso*

Ndakangoona mai Pame vouya ndokuti


rongedza hembe dzako nedzemwana ndanzi
ndiende newe kumurume wako.

Moziva ndakamboda kuramba asi mai Pamela


vakati zvaisaita nekuti zvanga zvabva
kuvabereki vangu.
Ndakatanga kuona kuoma kweupenyu zvino
chinhu chainyanya kuita kuti nditsve moyo
inyaya yemai vaBrian vaisada kana kundiona
guys what more ndaenda kunogara pamba
pavo chokwadi ndanga ndaomerwa hangu
handidi kunyepa.

Ndakaita hangu sekutaura kwavo mai Pame ,


ndokupinda munzira kuenda kwana Brian
kwaisava kure zvako.
Handina hangu zvandaigona kuita asi ndaive
ndaomerwa veduwe nekuti ndainyatsoziva kuti
Brian wacho aisandida kuzoti mai vacho yoo
zvanga zvakaoma kani.

Ndaifanira kushanda nezviripo ndizvo ndaive


ndakazviparira ndega yaitova ndomene chaiyo
saka zvaitoda kushinga.

Hongu ndaigona hangu kushinga asi nyaya


yanga yakanyanya kuona ndeyekuti Brian
aisatombondida kana nepadiki pese chaaida
chete kwaiva kundishandisa. Neniwo handina
kutomboziva kuti ndiko zvaizosvila yooo mafon
aya ngwarirai guys unonyura nazvo izvi.

Nhasi uno ndave panguva yakaoma nekuda


kwenharo kusaudzika, kuteedzera zvinoda
muviri kutadza kuzvicontrola haaa ndaive
ndakakonewa pasi nekudenga asi ndaitsidza
kuti zvikadarika izvi handaizofa ndakada kana
kuona chinonzi murune pedo neni.

Apa ndave kungonamatira kuti dai Brian wacho


aregawo hake kundiabuser kumba kwavo. Haaa
zvamai vacho hameno tinenge tichingoona.

Zvose izvi ipfungwa dzangu dzaingokazhana tiri


munzira kuenda kwana Brian kwacho
ndakatakura hangu monaque rangu, mai Pame
vakabereka nwana wangu.

Patainge toda kusvika hana yangu yaiita kurova


zvekt ndega ndainyatsoona hembe ichifamba
nechepachipfuva, ndainzwa kutya kwakanyanya.

Takazosvika hedu ndokutambirwa nababa


vacho nemufaro mukuru chaiwo vakabva
vatongotora chizukuru chavo nguva iyoyo
nekudaidza mai vaBrian iye ainge asipo hameno
kwaiva kwaendwa.

Mai vaya vakatora nguva refu vasina kuuya


ndokuzouya havo vachiita kukweva mamumbo
avo uku vanga vakaita kufutisa kumeso zvekuti
hana yangu yakawedzera kurova.

Mai Pame vakazooneka zvavo ndokudzokera ,


tezvara ndokubudawo ndokusara tave vaviri
zvino.
Ummmmm mai vaisandida havo ivavo
zvavakataura soka ndakanzwa kutya nazvo ini
but ndakatozviudza kuti pano potoda Mwari
mupenyu chaiye nekuti ndikasaudza Mwari
chokwadi ndinofa nebp chaiko. Ivo mai vacho
vakabva vangotsidza kuti pano uchapabva hako.

Havana kumboda kuvanza vakabva vangotaura


pachena kuti ndaifanira kumuka mangwana
chaiwo ndisipo.

Pfungwa dzangu ndakangofungawo kuti better


kungoshinga kudzokera kumba kwedu nekuti
ummmm ndaivatya ini mai ava saka ndaitozoita
plan kuti ndidzokere kumba kwacho.

Papera chinguva baba vacho vakazopinda


ndokuwana ndakangogara hangu ndakaduka
apa zvimisodzi zvakajenga mumaziso angu.

Vakabva vangopinda nekutotanga kubvunza


mukadzi wavo kuti ko nemhaka yei muroora
akasuwa kudai wamuitei ndinokuziva mabasa
ako manje apa usambozvinyepere hako iyeyu
ndiye muroora wako kuda kana kusada
ndatopedza newe so.

Handidi kumbonzwa kuti wamushusha.


Pakapedza baba vacho kutaura mai vacho
vakabva vatondisvotesa nemeso nemuromo
zviya zvinoita munhu kana achida kuti usvotwe.
Zveshuwa ndakasvotwa handidi kunyepa ndaive
ndakavadyira chiii chaizvo mai ava.

Pakazobuda baba vacho ndakatoziva kuti


zvatanga futi. Nguva yekurara yainge yakwana
saka mai vaye vakangobuda vasina kana havo
kundiratidza kuti ndairara kupi.

Apa ndaingova nejira1 randaive ndabva naro


kumba.

Zvanga zvakaoma kani veduwe.


Ndakazongo.......

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision


By Linda

0611169903

Chapter 5

*Sifiso*
Ndakangozotora chichira chemwana wangu
ndokuwarira hangu pasi. Ndokutora towel rake
ndokumuputiridza kuti asapindwe nechando
ndokuvata hedu takafuga jira riya randaive
ndatakura kubva kumba.

Apa kwaitonhora sei ndakarara ndakagumbatira


mwana wangu ndaida kutianzwe kudziya
kwaiita muviri wangu kuti agorega kupindwa
nechando.

Kana zvinhu zvisina kukumirira mushe hakuedzi


veduwe kunototora gore chairo kuti kuedze.
Kwakazosara huku dzekuma3 dzokukurudza ini
ndaive ndakangosvinura kuti nditi musi uyu
ndakarara ndingakuudzai nhema chaidzo.
Zviya zvakanzi nevanoimba vaya, kurara hope
kugarika vanenge vachitotaura chokwadi vaive
vazviona ari panguva yakaoma haamborari.

Ndakanzwa door kunzi gwereeee hana yangu


yakarova kuti ko ndiani amuka neusiku huno.

Handina kumbolighter fon kuti ndione kuti aive


ani ko handiti ndaive ndisina kumbopihwa light
ndaitoshandisa phone yangu pakuyamwisa
mwana.

Ndakaramba ndiri ziii zvangu ndakavhura ziso


murima muya kutarisa kumukova kwaive
kwavhurwa.

Sezvo mumba mainge muchinerima handina


kukwanisa kuona kuti aive ani aive apinda.
Ndakatombofunga kuti zvimwe aiva Brian hana
yangu yakatowedzera kurova nekuti ndaive
ndotya kuti ndogona kungorohwa hangu kuti
wavingei pano.

Ndichiri mundangariro kudaro ndakanzwa


kuridzwa kwezitsamwa zvekuti kana neni
ndakatombovhunduka kuti ko kwakanaka here
munhu kungopinda nekuridza tsamwa but
nguva iyoyo ndakabva ndatoziva kuti vaiva mai
vaBrian.

Ndakabva ndatoziva kuti ma1 aya ainge


atotanga risati rambobuda zuva. Ndakaramba
ndiri zii ndaida kumirira ivo kuti vaizotii ndobva
ndavati mamuka sei?

Vakaita nguva vasina chavataura mushure


mekunge varidza tsamwa, ndakazonzwa voti
"Inguvai ino asi unofunga kuti wakauya pano
kuzorara here timukire uko unochera mvura
kumugodhi uko. Ndinoda uzadze dramu iro
zvese nemabucket ese zvawo . Kana wapedza
wotora madhishi mahombe ayo maviri
atinoshandisa kuwachira machira ndinoda kuti
umazadze ese unomadhaira ari ikoko
kumugodhi , kana azara wotanga kudiridza
mugarden mese. Unenge uchiti ukamazadza
wodiridza womazadza futi kusvikira garden
rese rapera. Ndichazotarisa makuseni kuti
wadiridza mukanzwira mvura here. Kana
wapedza wouya woita basa rese zvaro muno ,
chivanze unotsvaira kusvika kuroad uko.
Handidi mistake pane zvese zvandataura
tanzwanana here?"

Ndakatanga ndatura mafemo ndokuzoti


ndazvinzwa mhamha, mamuka sei ? Apa
ndaitouchirawo zvandaive ndadzidziswa namai
Pame kuti ndizvo zvinoita muroora.

Avana kumbodaira vakaridza tsamwa


nekutobuda. Ndakafunga kuti zvino mwana
ndomusiiira ani nhai ndakatoona kuti better
ndibude ndivape nwana nekuti zvaisaita
kumusiya ega aizochema akashaya
aizomunzwa.
Ndakabuda ndichitomhanya kuti ndiwane
vachiripo pedo ndokuti mhamha chiendai
nemwana munorara naye anozochema
akashaya anomunzwa.

Apa ndaive ndakatonenekedzera mwana


kuvasvitsa.

Vakaramba vakanditarisa havana kana


kutambanudza maoko avo kuda kutambira
mwana wangu. Vakatanga zvino kuchinditarisa
kubva kutsoka kusvika kubvudzi vakaita nguva
vachidaro chete yoo zvanga zvakaoma kani.

Ndakabva ndangotendeuka hangu kudzokera


nemwana wangu mumba ndaive ndafunga
kunosiya ndamurarisa ko ndaizoitawo sei chero
ndimi. Ndisina kana kuita nhanho imwechete
ndakanzwa kudhonzwa madreads mumusoro
veduweka mai ava vairoya chete vakaita
zvekundigwinha chaiko kuti ndinyatsorwadziwa.

Vakangoita zvekubvuta mwana uya kunge


vakabata bhora moyo wangu wakatomboenda
kure kuti mwana wangu zvaachadonhedzwa.
Apa karusvava kasina kana 2 weeks kaibatwa
kunge munhu akabata chimwe chinhu chisina
basa.

Vakazoti " uri kudaka kundinzwisa natezvara


vako vawakapfuhwira kuti nditukwe unodaka
kuti ugozovaudza kuti ndaramba kutora mwana
manje umbozvizama uone zvako.

Enda unoita basa uko simbe yemunhu kumuka


wakagonyera machira asi unoti wakauya
kuzorara here pano manje uchapabva hako
chete."

Apa vaitaurira pasi pasi ndofunga vaiitira kuti


vasanzwike nemurume wavo.

Zvinei ndakatanga kututa mugomo yese


ndichiisa kumugodhi, dhiramu raive riya
replastic saka sezvo yaiva mvura
yekuzoshandisa mukitchen ndakabva
ndangoriisa pamukova ndaizochera mvura
kumugodhi kuya ndichiuya nayo ndodira
kusvika razara.

Ndakatanga kuchidhaira zvino hangu mabucket


angu kusvika azara ese anga akawanda guys
zvekuti wega waitoona kuti izvi
ndezvekupfidziswa chete.

Ndakatoona kuti vakandipanicha vachidai havo


zvaitova better nekuti basa chairo hariurayi.

Ndakatanga kuirova ndirayi ko ndaimbonzi ani


pasina nguva ndainge ndatozadza mabucket
ese ndakachitanga zvino kusenga
ndichinodurura kumba, kuzigubhu zihombe riya.

Ndaiita basa rangu ndichita kumhanya chaiko


ndaida kuti zuva risare robuda ndapedza kana
kutsvaira chivanze chaiko ndave kuita basa
remumba. Ndakatenda kuti zvaiva nani vanga
vatora havo mwana kuenda naye kubedroom
kwavo. Ndainyatsoziva kuti kuna sekuru vake
vaimuda saka aisazombochema nekuti
vaizomunyararidza.

Ndakatanga kudira mvura muchigubhu muya


ndave pakudira bucket rechi8 ndipo ndakanzwa
kuita semwana aichema.

Ndakamira kuti ndinzwe kuti aiva mwana


wangu here nekuti kwaibva neinzwi kwaive
kusiri kubedroom kwana mhamha.

Ndakanzwa hezvo ko voice raibuda mukitchen


wani aaaa zvakandinetsa ndakangofunga kuti
kuda ndimo maari nambuya vake.

Saka ndakadzokera hangu kunotora rimwe


bucket . Pandakadzoka ndakateerera zvakare
kuti ndinzwe kana aive anyarara
munongozivawo kuti kana uri mai moyo unenge
uchingorwadza.

Ndakanzwa kuti zii ndikati zvimwe aive


anyararidzwa nambuya vake ndakati regai
ndidongorere chero vakatuka zvavo nhumbu
inorwadza hazvisi zvekuti ungangosiya usina
kubata shuwa kuti mwana anyarara.

Pandakanodongorera kudai ndakanzwa mwana


inzwi ratoshoshoma nekuchema . Hana yangu
yakarova ndakamhanya kupinda mumba muya
ndokutora fon yangu ndokubatidza. Kunotarisa
mwana kudai hauchemi veduwe mwana anga
ari pamusoro pemagumbeze apa asina kana
kumboputirwa , kunobata mwana kudai
wanikwe mwana arikutonhora zvaityisa apa
ahachagoni nekuchema kwese inzwi ratoenda.
Ndakakurumidza kuzvifukidza jira riya
ndokuvhura mabutton eblouse rangu ndokutora
mwana wangu ndokumisa pamukaka apa
ndakamugunzwisa pandiri uku takazviputira
nejira. Ndaida kuti mwana wangu akasike
kudziirwa nekuti airatidza kuti atopindwa
nechando.

Akatanga achikonewa kuyanwa nekuti aiita


kubvunda chaiko nechando. Ahuchemi veduwe
unobva waona kuoma kwehupenyu.

Zvishoma nezvishoma mwana akatanga


kuyanwa ndikatonzwa kuti ave kudziirwa
ndikatoona mwana atobatwa nehope
achiyamwa kudaro.
Moyo wangu wakatombonyevenuka nekuti
mwana wangu anga ave right chando chaive
chapera mumuviri make.

Ndakazoona kuti zvaisaita kumusiya ega


nyangwe zvake arara ndaive ndotya ini guys.
Sezvo ainge asati oberekeka ndakatora
zvekunomuwaridzira ikoko kwandaichera
mvura kwacho, nekuti ndanga ndave kunodhaya
mvura yekudiridza.

Ndakatora chisaga chaivamo mumba


ndokunowaridzira mwana wangu kugarden
kuya.

Ndokutanga hangu kuita basa rangu ndaive


ndamaker shuwa kuti mwana wangu aidziirwa
aisapindwa nechando.

Ndakatanga kuirova ndirayi haaa kana pari


pabasa vaitotamba zvavo nenguva ndaitova
simbi chaiyo and ndaisaneta chero vakati swera
wakamira uchishanda ndaiswera as long
ndichiwana chekudya chete.

Zuva rakazosara robuda ndapedza kudiridza


zvangu apa vanhu vanga vatomuka vese.
Pandakapedza kudiridza ndakabva ndatanga
kutakura mabucket ese sezvo ndainge
ndangomacherera mvura ndisina kumatakura.
Ndakasenga ndokunosviko bvunza atezvara
kumuka nekuti vanga vatorimo vese mukitchen
vamwene vatovesa moto.

Ndakavabvunza hangu ndokuendera mberi


nezvandaiita zvekusenga mvura dzangu kuisa
kumba. Zvino nekuwanda kwemigomo iya
tezvara vakabva vabvunza " kwakanaka here
muroora kwamuri kuchera mvura kudai ndeyei
yose iyi uye mwana arikupi wandisiri kuona."

Ungapapindure here kuti imvura yei nhaimi iwe


wangonzi zadza zvinhu zvese izvi vaifanira
kutopindura ivo mhama nekuti ndivo vaiziva kuti
yaive yei ini ndaingoita zvandatumwa chete.
Panyaya yemwana ndipo ndakazokwanisa
kupindura baba ndikavaudza kuti ndamuradzika
kumugodhi kwandainge ndiri.

Kkkkk guys munhu munhu chokwadi akanaka


akarara kana akasvinura anoactor zvekuti kana
newe unopera power.

Ndisati ndambopindura tezvara vangu


vamwene vaive vatoganhira kare. Hanzi
pawamuka ungadai wauya wanoka kumba
kwatinorara uko kana kumira pamukova
wosheedza kuti mhamha ndave kumuka
mwana uyo. Chero iko kumuka kwacho
ndinoona sewakunyanya mwanangu chero idzo
mvura dzaunochera kuita fanike wasvikirwa
ndedzeiko?"
Guys chero uriwe waipindura kutii pakadai mai
vaive vakangwara havo ivava unoitwa benzi
chairo. Chokwadi vakangwara havana nhamo
ndepapi pandaizopikisana navo ndichivaudza
kuti ndimi mandituma kuchera mvura. Chero iye
mwana wavaiti dai wandipa munoti haisi iyo
miedzo isina kundiso here iyoyi.

Tezvara ndivo vakazonditi "enda unotora


mwana anofa nechando" ndokubuda hangu
kunotora mwana wangu ndakauya naye
ndokuvagamuchidza. Ko ivo mhamha kungwara
ndakanzwa vatotanga vatochingidzira maoko
kuda kutambira mwana baba ndivo vakazoti
ndipe heye kuno.
Pavakamutora mwana vakabva vangoti
"nemhaka yei warega mwana achichema kudai
hona kufema kwaari kuita ari kuratidza kuti
munhu achema nguva refu chaiyo"

Me : Ndanga ndisiri kunzwa kuti


akuchema baba ndatozomunzwa kuti
akuchema atove nenguva refu achichema
zvekuti voice rake ranga ratoshoshoma
nekuchema.

Baba : Chimbogara pasi nemwana handidi


kuzviona futi izvi handidi kukuvadzirwa
muzukuru wangu akawira nhova nekuchema
unoita sei siya zvemvura zvauri kuita izvo uite
zvemwana.
Mabucket asara ayo anosenga Brian. Enda
unomumutsa izvozvi uti hanzi neni ngaauye.
Anorega uchimuka nemwana mucheche kuti
zvidii adii kusara nemwana pacho pawamuka.
Ko pachema mwana kudai anga asiri
kumunzwa here?

* Mai Brian*

Ndaive ndamurongera chaiko mwana wepi


anongoda kugakira semajuru. Ndizvo zvinoita
vanhu vakakura vachitambura kana aichiva
mwana wangu manje achakaura pano ndipo
achapabva rakangodai zuva. And ndakarara
usiku hwese ndichimugaira zvandaizoti aite
ndaida kumupa basa rinorwadza zvekuti
aipatiza ega pano. Kana chikafu achachidya
kana tezvara vake varipo mirai muone
ndombonzi aniko ini.

Huku dzekutanga dzichingotanga kukurudza


ndakabva ndatomuka kuti ndichinomumutsa
aite basa.

Mumba ndakangobuda ndichiita zvekuverera


semunhu ari kuenda kutoilet ndaida baba ava
vasazviva kuti ndanomutsa muroora wavo
wavaida kuita fanika vaidya pamwe nemwana
wavo.

Ndakapinda mukitchen maaive arara


ndokutomuudza zvandaida kuti aite.
Akazama kundipa chimwana chake
ndakamboda zvangu kuramba asi ndakazogaya
fast ndokutora mwana uya. Handina kana
kubvira ndada kupinda naye mubedroom nekuti
ndaiziva kuti sekuru vacho vaizobvunza kuti ko
mai vake vaendepi. Saka ndakangomirira kuti
mai vacho vaende kumvura ndigosara
ndonomutsveta mukitchen zvekuti aizochema
kana kuti kuita sei ndaisave nehanya nazvo
nekuti chero nini ndaisavewo nebasa naye .
Aitondibowa zvose namai vacho.

Mai vacho vachingoenda kumugodhi, ndakabva


ndatotendeuka kudzokera mukitchen muya
kunosiya mwana uya.

Ndakasviko mukanda pamusoro pejira zvekuti


ahana kufuga handina kana kumboita basa
nazvo ko ndaive nei naye hangu.
Ndakabuda ndokusiya zvakadaro mumba
imomo.

Pandakazonzwa mwana uya ochema


ndakamuka fast ndokunovhara door nekuti
ndaive ndasiya rakashama , saka
munongozivawo kuti kana mukova wakashama
manzwi anoenda kure ndaisada kuti baBrian
vamunzwe achichema nekuti vaizobvunza kuti
ko mwana akuchema mai vake vakuitei?

Pandakavhara door ndakanzwa kuti hapana


kana chaive chichanzwika ndikati zvangu zvaita.

Hepano manje pakazoita nyaya tamuka zvino ,


nyaya yaive yonditemesa musoro ndeyekuti
baba ava vakangoziva chete kuti uyu munhu
ainge asina kurara kuimba yaBrian zvaizomera
ini nekuti baba ava kutaura pafair ndaivaziva
zvaisazondimirira mushe.

Pavakati kuna Sifiso enda unodaidza murume


wako ndakaona munhu oita kakuzungaira
kuratidza kusaziva imba yaBrian. Ndakatoona
kuti ndikasangwara pano munhu uyu
anotopedzesera afumura chokwadi zvikaita kuti
ndipinde pama 1 nababa ava.

Ndakabvawo ndangosimuka ndokubuda panze


nekukasika ndakabva ndatosheedza nhai
makoti ahunzwe here zvikurehwa nababa buda
uende kunomudaidza ndakamira pano Brian
anemukonyo anogona kutoramba kuuya
kwacho saka buda ndoda kuona kuti anoramba
here.

Izvo kwaani hapana kana chandaida kuona


ndaitoda kuti ndimuratidza room yaBrian nekuti
aisaiziva ndaitya kuti aigona kuzotaura kuna
baba kuti ainge arara mukitchen. Saka
ndaizopinda pama1. Achingobuda chete
ndakabva ndatotungamira kunopinda muimba
yedu hombe patakapinda tese mumba muya
ndakabva ndangomunongedzera door
remuroom maBrian.

Handina kuda kumusiya akadero


ndakangomuudza pachena kuti zvawaona room
yemwana wangu handina kuti uchipindamo
pamadiro ako ndangoda chete kuti baba
vasazive kuti ahuna kuraramo uye usafa
wapinda muroom nemwana wangu handidi
hangu ziva zvekudzokera kumba kwenyu.
Ndakabuda ndokumusiya akatuzura meso
arimo hameni ikoko pangu ndaive ndasakura
ndikazunza zvaive zvave kwaari kufuga kana
kuwarira.

Pasina nguva ndakazoona munhu otevera ini


ndakabva ndatobuda kuenda kugarden ndaida
kunotarisa kuti aive adiridza here?

Ndakasviko vhura mugarden muya ndokuwana


mibhedha yese yakati tapa tapa kunyorova
chokwadi mwana uyu pabasa zvaraitova binya
chairo. Manje ndinoda kumukandisa mapfumo
pasi kana riri basa ndiko kuchave kudya kwake
anopfidza chete ahandizive mushe.
Ndave kutovhara garden ndakazoona Brian
ouya kugarden kuya ndakafunga kuti zvimwe
ainge audzwa nababa vake kuti azotakura
migomo yemvura iya.

Me : Zvino unoti mukadzi wei kana wakunzi


usenge mvura iye munhu akagara hake.

Brian :. Mukutiiko mhama handisi


kunzwisisa nyaya yamuri kutaura ini.

Me. : Hauna kuzomutswa naSifiso hre


kuroom kwako ndasiya atumwa nababa kuti
azokudaidza uzotakura migomo yemvura iyo.
Brian. : Aaaaaa mukureva kuti Sifiso amukira
pano makuseni kwakadai ko kwanzi auya
kuzoitei nhai mhama?

Me :. Zvotoda iwe mwanangu utaure


nababa vako akatouyiwa naye zuro baba vako
vakatomugamuchira nemufaro chaiwo hameno
ukada kuvatevedzera baba vako unorooreswa
uri pwere ine mukaka pamhuno kudai.

Brian : But baba vasadaro ko vakadii


kumudzosera vangangotambira munhu
vasinawo kana kumbotaura neni kana
kumbonzwawo side rangu here?
Me. :. Ndizvo zvitoripo mwanangu
wotogwinya kuvarambira nekuti ukangoita
zvako zvekuvapfavira inofa kwako.

Brian : Saka mukuzama kundiudza kuti


ndiye achera mvura yese mugomo yese
yandaona kumba uko neiyi iri kuno ko adiridza
garden ndiyani?

Me. : Ndini ndaita zvese izvi mwanangu


unoti mbodza yakaita seiyo angaitei munhu
anotadza nekuzvikwenya kose.

Brian : Ummmmmm mhama kutanga riini


iyemi kudhaya pano pamugodhi ndini
ndinokuchererai mvura pano dzimwe nguva
ndichitononoka kuchikoro nenyaya yegarden
renyu iri. Ndikange ndisipo mudhara ndivo
vanochera mvura nhasi from noway moti ndini
ndazadza mvura dzese idzi. Musadaro mave
kushandisa mwana wevanhu regai adzokere
kumba kwavo mune zvakanaka.

Mom : Watotanga kuita urevi ndikukuudza


kuti ndini ndachera mvura yese iyi but uri
kuramba handidi mwana anoda kupikisana neni
zvinoratidza kushaya rukudzo izvozvo.
Ndakatoona kuti mwana uyu aida kundipima
chaiko zvaanga oda kutotanga kusaidhira
munhu iyeyu nxaaaa manje akada kutamba neni
idi anondiguta pano regai zvenyu muone.

Akazobva pandiri oenda but akabva angotakura


mabucket maviri rimwe uku rimwe uku.

Ndakatoona kuti ndikangoita zvekuhwaira


ndingatoitirwa zvimwe pano saka ndaida
kumupresa ndaisatomboda kuti awane nguva
yekujairirana nerukadzi irworwu kana kuti
vambowana mukana wekuve pavo vega
ndaisatomboda zvangu kana nepadiki pose.

*Brian*
Zvepamba pedu zvaitokunda ngoma kurira
chaiko makambozvionepi kuti munhu
anotizirwa votogamuchira munhu kanawo
kumbokuudza pedzezvo vomuka
vachimushandisa kuita fanika vatozviwanirapo.

Kuita kwacho kwanga kwandipedza shuwa


ndakazosiya mhama kugarden ndotakura
mvura iya. Ndaizviziva zvangu kuti vaisava ivo
vaive vaidhaya mhama chaivo kudhaya mvura
kuti vaitwa sei? But apa ndakatonzwa voti ndivo
vainge vaichera ndakazoona kuti
handingarambi ndichiita hangu nharo
nemubereki.
Ndakasviko siya mabucket aya panze ko
aipindika nawo here imba yose kuzara
nemigomo yemvura uku pamukova pane dramu
rakazara Ummmmmm mhama vanga vakaoma
vakomana chero iye auraya munhu chaiye
ahangambo punichiwi nemutowo iwoyo.

Ndichipinda ndakarohwa nehana kutoona Sifiso


akagara achiyamwisa mwana wake
ndakamubvunza kuti ko iwe pano uri kudei?

Apa handina kana kuwana nguva yekumutsa


mudhara.

Ndakangopinda nekutobvunza munhu ko aive


auya kuzodii uye aive audza ani ndizvo
ndaisada izvozvo.
Asina kana nekutombopindura mudhara vaive
vatoigama kare ndoshaya kuti vakambopihwei
chaizvo mudhara naSifiso iyeyu.

Mudhara : Iwe Brian usafunga kuti


zvawakaita wakagona kana kuti pane
anozvisekerera kana waona kuti wave kuda
kuzvitonga pano tora bag rehembe dzako urove
pasi usiye muroora wangu pano nemwana
wake iwe wofamba famba hako
wakasununguka.

Brian : Moziva mudhara vairwadza sechironda


chaiswa munyu chaicho.
Kuti uti hudzvanyiriri ndaitozvishawo ini munoti
zviri fair here kutongera mwana kuita kodzero
dzavo pandinofanira ini kuita kodzero dzangu.

Vakabva vatotanga kuvava hanzi heeee


unondidherera ndanguri ndatuma mukadzi
wako kuti azokudeedza ukamupindura kuti uri
kuuya asi ndazoona wave kuna Mai vako uko .
Zviii zvamanga muchirangana ini ndakusheedza
muno.

Brian :Mubvunzei munhu wenyu iyeyu kuti


ambopinda mumba mangu here kana kuti
ndikutomuona izvozvi chero kuti pano akauya
riinhi handitombozvizivi ini.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision

By Linda

0611169903
Chapter 6

*Sifiso*

Pakabuda mai vaBrian ndakasara ndikamboda


kunoka padoor paBrian kuti ndimuudze kuti
aidiwa nababa vake asi ndakanzwa hana yangu
ichiramba ndainyatso kunzwa kutya chaiko.

Ndakabva ndangobuda kutevera mai vacho ivo


kubuda kwavakaita vakabva vangonanga
kugarden.
Niniwo ndakabva ndadzokera mukitchen muya
maive nababa ndakasviko vaudza kuti ati ari
kuuya izvo kwaani ndaive ndisina kana kubvira
ndamuudza.

Ko kwaiva kungotanda nyadzi hameno kuti


akataura kuti handina kumbomuudza ndaizoita
sei?

Ndakangosiyanawo nazvo nini ndokupinda


mumba muya nekutoburitsa maplates panze
kuti ndisuke. Ndakasuka ndikapedza Brain ari
kugarden namai vake.

Ndakadzorera maplates mumba ndokutanga


hangu kumarongedza. Ndipowo Brian
paakapindawo mumba muya , ndakarohwa
nehana kuti ndainge ndanyepa kuti ndamuudza.

Vakabva vatotanga kutaudzana nababa vacho


nezvenyaya yangu , zvino ini ndaive ndasipedza
kurongedza zvino ndasigara ndakatsikitsira .
Pakutaudzana kwavaiita zvaiva pachena kuti
Brian aisandida ndakatotanga kudonhedza
misodzi ndofunga zveupenyu hwangu kuti ko
ramangwana rangu raizovei chokwadi vanhu
vose zvavave kundiita gandidzanwa.

Uyuwo Brian akangosiya audza baba vake kuti


mubvunzei munhu wenyu kuti ambouya here
kuzondidaidza and akangovabudira pachena
kuti aisaziva kuti ndakauya zuro aive
angoratidza pachena kuti tainge tisina
kumboonana kureva kuti baba ava vaizoda
kuziva kuti ndainge ndarara kupi ? Apa ndipo
paizondiomera handidi kunyepa nekuti mai vaya
vaibva vangozobvunzwa nemurume wavo kuti
vainge vazvifambisa sei zvinova zvaizoita kuti
vakonane nekuda kwangu. Panga pandiomera
ndaive ndongoeredza misodzi kuchema nhamo
dzangu dzainge dzandimomotera senyuchi
chokwadi vakuri vakareva vakati nhamo urimbo
inonamira kana yakuda haikusiye chero ukada
kuita plan hazvishandi inoramba yakangoti
sona sona newe.

Baba vaya vakazochitanga zvino kutaura neni


mibvunzo yakatanga kundinaya asi handina
kana mumwe chete zvawo wandakakwanisa
kupindura , asi kuti ndakatowedzera kusvimha
misodzi.
Baba : Nhai mwanangu ko murume wako
arikuratidza kuti hamuna kumboonana ko
wakarara kupi ? Ko zvandati enda unomudaidza
inga wati ari kuuya wani but apa wamunzwa
achipamura kuramba kuti ahuna
kumbomudaidza.

Zvino unoti chii chinogadzirisika nekuchema


ndinoda undiudze zvese zvinokunetsa kana
ndakakutarisa ndinoona usina kumbosiyana
nevana vangu and iwe unofanirawo kundiona
sababa vako. Vakuru vakataura vakati kuzvara
ndume kuzvara hadzi saka watova mwanasika
wangu pano. Unofanira kusununguka kutaura
zvese zvinokunetsa ndiko kuti zvinhu
zvigadzirike usatya hako ndichamira newe
kuoma kana kurema kurwadza nekusuwa
ndichange ndinewe.
Kuzvara kumwe chete nyaya yako yese
ndakainzwisisa inyaya yehuhwanana chete
waisaziva kuti zvamave kuita zvinozoipa mberi .
Asi mhosva ndinoipa wangu mwana nekuti
akaita zvinhu izvi nebwoni and ainyatsoziva
zvaaita. Kungoti iwe wanga wakaputirwa
nehuhwanana hauna kunge waziva kuti
mberikwazvo zvinozomira sei? And ndinoda
kukutenda mwanangu hauna kufunga kubvisa
pamuviri nekuti waizofa. Ukabuda panze
ukatarisa kumadokero kwemusha uno unoona
dutu reguva ririko, mwana wangu akangofa
pano zvisina kana tsarukano kana kurwara
ahana kungonzwa ndofonerwa kuti mwana
kuno hakuchina.

Iwe ndinoda kukutenda nekuti wakashinga


nenhumbu yako nhasi uno une mwana wako.
Zvino wangu mwana pakaita muchenjeri
wekumabva zuva akazama kuda kubvisa
nhumbu yacho mwana wangu ndokufa.

Nguva yese ndaive murima asi nekufamba


kwenguva ndakazongozvinzwa mafambiro
azvaive zvaita, oti pasi pano hapana
chakavanzika chisingafi chabuda pachena.

Zvino kuda vanhu pano vanoti handizvizivi


tichasangana hedu 2 day.

Chandinongoda kukuudza mwanangu


ndechekuti ndoda chete kuti ushinge
zvichanaka Mwari vachakurangarira rimwe
ramazuva.

Zvisinei tave kutongoshanda nezviripo simuka


tiende ndikuratidze room yaunorara zviome
zvidii chero ukadzingwamo usabuda.
Chandinokumbira chete kwauri swededza
Mwari pedyo newe zvese zvaunosangana nazvo
udza Mwari.

Ndinozviva kuti pano hapana anokuda asi


shinga chete gwinya kuita zvakanaka Mwari
vachakuvhurira makwara ako nekuti ahuna
kuvatadzira nehoni asi kuti wakaita mukusaziva.

Pakapedza baba kutaura ndakaita kutura


mafemo kuita fanika ndatura zimutoro
randanga ndakatakura, ndakanzwa kurerukirwa
nguva iyoyo at least zvanga zviri nani
ndaitovewo nemunhu aimira neni pamba apa.

Ndakazopukuta misodzi ndokusimuka


ndotevera baba kwavaida kunondiratidza room
yangu. Nechemumoyo ndaingonamata kuti dai
varega havo kundiratidza room yaBrian. Dai
zvagona kudaro pamwe ndaizorerukirwawo
hangu nekuti kupindidzana mumba mumwe
chete nemunhu asingakudi zvakangooma
veduweee.

Ndakatevera kumashure kuya ivo vainge


vakasimudza muzukuru wavo mumaoko,
ndakarohwa nehana vachivhura mumba
maBrian vachinditi ndimo mumba menyu umu.
Ummm chiso changu chaive chatowedzera
kusuwa apa vanga vandiomesera handidi hangu
kunyepa.

Vakazviona kuti ndanga ndotanga kudonhedza


futi zvimisodzi ndokubva vati "enda unotora
monach rako izvozvi ndakamira pano uzoisa
mumba menyu.

Ndakaita kuzvuva makumbo ndichidzokera


mukitchen kuya kunotora bag rangu racho.

Pandakadzoka ndakawana Brian avapo maybe


ndivo vanga vamudaidza nekuti ndakanzwa
mashoko avaitaura kekupedzesera but
zvavanga vatanga kutaura handina kuzvinzwa.
Ndakangozonzwa kuti ndigonzwa chimwe
chinhu, tinotatsurana pano. Hameno kuti
vaiudzana nezvei.

Mai vacho pandakapinda nemonach rangu


ndipowo vakasvika paye paive nevamwe.
Ndakanzwa voridza tsamwa ndikaziva kuti
chachaya hameno pamwe ndaizotutiswa
zvakare baba vaye vasipo.

Vakamira pamukova paya vakati tutunura


hembe dzese mubeg uise muwadrop ndiri pano
izvozvi hakuna anofa akubvisisa hembe
idzodzo nekuti ndini ndakaitenga wadrop yacho.
Chese chiri pano chinodaidza kuti ini saka
hakuna anofa akandiendera mberi anenge
angofinhwa nezvandatara anongorova pasi
ondisiya nemusha wangu.
Ummm baba vaive vakaoma zvavo ivavo
handina kuziva kuti vaitonga zvakadaro. But
mukadzi ndiye wavaive vakanyimwa havo
zvekuti dai vakawana mukadzi anoita
sezvavaiita ivo chokwadi dai pamusha apa
pachifarwa zvekurevesa, zvino vakuru vakati
zviuya hazvidondani.

Ndakatanga kuburitsa hembe dzangu dziya


ndichiisa muwadrop asi kwaive kungoshinga
ndaitya hangu mai vacho zvose nemwana wavo.

Mwana wacho aive ongotenderera pamusiwo


paya uku muromo waiva wanzi pfeeee
mumhino. Ipapo mumoyo ndakazviudza kuti
baba ava vakasachinja chokwadi ndichamira
navo asi ndaizviziva hangu kuti upenyu hwangu
ainge atova marengenya chaiwo ndepapi
pavaizoswera pamba vakandirinda kuti
ndisashungurudzwa. Ivo vaitozviendera zvavo
kubasa, zvaizoita here kuvaudza kuti ndaitwa
zvakati still raingova jere kani hameno Mwari
ndivo chete vandaigona kuzoudza. Vabereki
vangu chaivo vaive vatadza kunditongawo
nerupfave saka wandaitoti wangu ndibaba
vaBrian naMwari chete. Avawo mai Pame
ndaisavanzwisisa nekuti zvose zvavaiita
vaitotumwa nana mhama.

Brian paakaona ndovhura madro epazasi kuti


ndiise hembe dzemwana akati atanga kutaura,
"daddy honai zvaakuita mune zvinhu zvangu
zvakakosha zvekuchikoro"

Ipapo ndakabva ndatovhara dro racho


ndokuenda pane rimwe, umo ndimo maiva
nemasocks ndakavhara zvakare ndokuvhura
rimwe wanei mune maanderwear . Ndakavhara
zvakare ndokuvhura rekupedzesera repazasi
umo maiva hamo musina chinhu ndipo
ndakatanga kuisa zvihembe zvemwana.

Baba vacho ndipo vakazotaura manje vopindura


mwana wavo.anga ongohon'era.

Baba : Wazvionaka Brian kuti anofunga


mudzimai wako saka wanga uchiti angaise
hembe mune zvinhu zvako zvakakosha here
mwanangu.

Brian ahana kupindura akangotarisa kuratidza


kusvotwa nezvaiitika. Mai vacho ndivo
vakazodaira vakati " nyaya dzenyu dzekuda
kumanikidza mwana idzi chenjerai kuti
mangwana muchazochema"

Baba ; Haiwa tibvirepo iko kusanyara


ndiko kunokunetsa ndizvo zvinokutuma godo
nemuroora kunge unorara nemwana
hautombosvodi kana nepadiki pese.

Wakazvionepi kuti unoti muroora arare


mukitchen achitadza kunorara nemurume
wake. Kungoti vanhu vemazuvano
hamuchatembeki pamwe une mubobobo
waunoshandisira mwana wako hatingaziviwo
nekuti izvi zvawakaita zvinotoitwa nemunhu
anoshereketa chete.

Manje ndinoda kutombotora leave kuitira


mwana iyeyu ndinozviziva kuti angatodya nhopi
inegoko pano nekuda kwako. Kana sadza
chairo haungambomupi ko iko kusanyara
ungacheresa mwana wevanhu mvura yose iyo
kunge mvura yeparufu unoishandisei mvura
yese iyoyo heee ndiudze?

Nhaiwe mai Tawedzerwa wakadya here


manheru wakapiwa chikafu here?

Ndaive ndangotsikira kutarisa pasi zvaive


zvichapindurika here kuti nditaure kuti handina
kumbodya zvaitozondimakisa wesi namai
vacho.

Saka ndakangozoti hongu baba ndakadya asi


vaive vatozviona kare kuti kumbonyarara
kwandaive ndamboita ndisina kupindura
zvaitoreva kuti ndainge ndisina kudya..

Tawedzerwa ndiro zita remwana raainge


apihwa nasekuru vake hanzi awedzera nekuti
pano tinongova nemwana umwechete iyeyu
baba Tawedzerwa umwe vakaendesa
kwamupfiga nebwe vakangwara.

Kkkkk kutoti baba Tawedzerwa hangu


ndingaushame muromo ndichivasheedza iii
ndingatorohwa chaiko.

Mai vacho pakataurwa zvechikafu uye


zvemubobobo ummmm vakatanga kupopota
vakananga ini hanzi "ndiwe honzeri honai
mashoko andave kuudzwa pamusoro pemwana
wangu nekuda kwako".

Vasina kure kwainge vaenda vakabva


vatogurwa muswe waiva woda kurebesa
nababa vacho. Ummmm baba vanga vasina
havo kuchipa ivavo. Vakangotaura pachena kuti
mai Brian zvawaita izvi hazviratidzi kuve munhu
ane moyo wekuzvara uye kuve munhu anoziva
Mwari. Ndinoona sekuti ndiko kusaka Mwari
vakangokupa vana 2 vaive vatoona hunhu
hwako. Zvino umwe wakaita zvawakaita pano
mwana wangu akafa kuda unoti handizvizivi.
Manje nguva yese ndaikurega zvangu
ndichikuona hunhu hwako ndaihuziva asi kuti
nhasi wazowana pekuhuratidzira , manje tiri
tese bhururu ndinoda kukuratidza rimwe side
rangu ramba uchishungurudza mwana iyeyu
uone zvichaitika pamberi apo. Ndinoda kukuitira
surprise yausingafi wakakanganwa muupenyu
hwako.
Nekuti handioni mhosva yemwana uyu
mungadei muchitova netsitsi naye mwana
mudiki ahana chaanoziva uyu.

And kudare chaiko zvakangotaurika pachena


kuti mwana uyu yaive mhandara ndiwe Brian
wakavhiringidza mwana wevanhu asi ungadei
uchitotenda kuti wazviwanira mukadzi wako
kwete wenyika yose. Zvino sezvakaita imi mai
Brian ndakawana rangova zuru rakapinda nyoka
kare musada kunditaurisa zvisizvo pavana.

Munhu wese handei kukitchen muroora kana


mapedza kugadzira mumba menyu mozouya
mobika tii tigonwa hedu.

Siyai marongedza zvese zvamunoda even bed


siyai mawarira zvese nekutsvaira hamuna
anokumisai pano panoti ini.

Vanhu vakazoenda zvavo ndokusara


ndopedzesa zvangu kurongedza mumba muya
zvese nekutsvaira.

Ndakamurongedza zvekurevesa and


ndakachinja zvinhu zvese nzvimbo ndokuzviisa
pandaida ini. And kana kuri kugadzira mumba
ndaitova shasha chaiyo.

Ndapedza ndakazotevera kukitchen kuya


ndakawana Brian achibva kumashop kunotenga
chingwa. Ndichipinda ndakatogamhiwa namai
vacho hanzi isai mvura yetii pamoto maiguru.

Ndakaisa mvura iya ndokunotora hangu huni


panze kuti ndiwedzere moto . Ndichitora huni
dziya ndaitofunga zvangu kuti kandi mai ivava
zvimbori pai ko zvavanogona wani kuve munhu
kwaye saka zvinozobvepi zvose
zvavanozondiita kana baba vacho vasipo.

Ummmm saka apa kupritenderka kuda kuzviita


munhu kwaye hameno regai ndigozoona kuti
vacharamba vari munhu kwaye here kana kuti
kuda kuvhara murume wavo.

Ndakazobika tii iya ndokunwa munhu wese


uchingova mufaro kusara kwaBrian ndiye chete
airatidza kuzvidya moyo aive akangobata
rushaya kuratidza kuti pfungwa dzake dzaive
kurefu chaiko.

Nechemumoyo ndakangoti hanya nani


chakakosha chero ndawanawo chekuisa
mumuromo.

Vanhu vapedza kunwa tii ndakaburitsa


maplates ndokunosuka hangu panze,
ndakadzoka nekumarongedza. Ndakacleana
hangu mumba muya baba namhama vachiita
nyaya asi mhama ndivo vaiti kana baba
vakavarairwa vainditarisa nerimwe ziso
raitotyisa. Ndakabva ndangoziva ndega kuti
daka raivepo izvi zvese zvavaiita kwaitova
kuvhara murume wavo. And ndakabva
ndatoziva kuti ndizvo zvinoita munhu
akangwara vanoitira ramangwana
kuzondinakurira nyoka mhenyu. Saka
ndaifanirawo kutongwara nekuti once baba ava
vangobva kuside kwangu hapachina changu.

*Brian*
Haaa upenyu hunombooma nenguva diki diki
guys ini ndanga ndatoomerwa kupererwa
chaiko.

Ko ndaimboziva kuti ndiko kwaizosvika nyaya


yacho here? Ndaitofunga kuti Sifiso aizogara
kumba kwavo ini handina kumbozvifunga kuti
naiye angazofunga kutizira kumba kwedu.
Semunhu wandaigara ndichiudza pachena kuti
handikudi angadai asina kumbosvika pakudaro.

Ndaive ndadzikisirwa kani chero kuchikoro


chaiko ndaizonosekwa kuti asiya mukadzi
kumba chero mubhora chaimo
ndaitozoburitswa. Ko handiti kunonzi vanhu
vese vakaroora kana vachitamba bhora
vanenge vachingodonha here hamenowo kuti
zvinokonzerwa nei ndinongonzwawo nedzimwe
boys dzichitaura.

Ndakatozorohwa nehana ndichiona pamusha


pakazara mvura ini ndikati ko chiiko chiri kutora
nzvimbo pano. Ndakaona moms vari kugarden
ndokuendako hangu. Ko ivo kutozonyepa hanzi
ndivo vachera mvura yese ndakangoziva
zvangu kuti kunyepa mhama havatambi
vachidaro nekuti munhu usati waenda
kuchikoro unotosiya waona kuti waita zvese
vaive vasinei kuti uri mwana mukoma, hanzi
ndife zvangu nebasa kuti mwana musikana
wacho ndomuwanepi ivo Mwari vakatonga,
mwana mwana anofanira kungoita zvese.

Pandakazonzwa kuti Sifiso aiva auya


ndakangoziva hangu kuti ndiye aive achereswa
mvura dzese idzi namhamha.
Ko imo mugarden maive matodiridzwa kare
ndofunga aive amutswa pakati pehusiku chaipo
namhamha, zvanga zvasangana nekuti
vaisatoda kana nekumuona kwese. Zvino
yaaiva atanga iyi ummmm mhamha vangu
ndaivaziva chokwadi aizosunga ega hongu ini
hangu handimudi asiwo kuti aitirwe utsinye
ndaisada nekuti Mwari ahasi wemuridzi
ndewemunhu wese.

Ndakazoenda kwandaive ndadaidzwa


namudhara ndaive ndatoudzwa namhamha kuti
baba vatuma Sifiso kuzondidana asi iye ndainge
ndisina kumuona.
Ndakapinda mumba muya ndokutongovaudza
kuti vabvunze munhu wavo kana
ambondidaidza ndakatobuda nekubowekana.

Ndakazorwadziwa pandakaona mudhara


orongedzesa Sifiso hembe dzake mumba
mangu, haaa ndakashaya kuti ndoita cy? Ko
zvaive nebasa rei chero akagara mukitchen
macho zvimwe zvinhu zvaiitwa namudhara
soka zvairwadza chaiko.

Handina hangu zvandakakwanisa kutaura


zvaive better hangu kuti ini ndibude hangu
mumba macho asare iye.
Ndakazviudza kuti ndaizorara hangu musitting
room ko hapana yekutamba nekuti mudhara
kana vatonga vanenge vatotonga hakuna
anovapikisa.

Mazuva akafamba Sifiso aripo pamba ,


kuchikoro ndaienda hangu asi zvanga zvisina
kundimirira mushe nekuti chikoro chese yanga
yangova nyaya yangu. Ummmmm waishaya
kuti woita sei zvaitonetsa kuti utsanangurire
vanhu vese vakunzwisise. Saka
ndakatozongoona hangu kuti better kutransfer
ndoenda kunodzidza kwandaisazikanwa nekuti
ndikaramba ndiripo pachikoro apa chokwadi
handaizombobudirira muzvidzidzo zvangu.
Ndaitofanira kusvitsa nyaya iyi kuna mudhara
nehungwaru uye ndakadzikama nekuti mudhara
ahaitirwe zvemakumbo kuzvimba. Unovirigwa
watonhorerwa zvose zvawanga uchironga
nekufunga dzikave ngano.

Uyuwo Sifiso anga adzikira zvakanyanya


ndainyatsoziva zvangu kuti aive mabasa
amhamha ese iwayo.

Dzimwe nguva ndaitombovatsiura kuti mhamha


musadaro imi hindava musina moyo nevana
vevamwe.

Ipapo vakabva vatotangawo kundinonota


ndakatoshaya kuti mhamha vaimbofunga sei
chaizvo.

Ndakazoti ndabhowekana nezvavaitaura ndikati


mhama why imi muchipindira kutova mberi
chaiko kuvenga mwana wavaridzi
nekumuabuser munozviitirei mhamha
akakutadzirai chiii ? Dai muchitovenga ini
mwana wenyu nekuti ndini ndakanopara
mhosva kumba kwavanhu. Makambomuona
pano here Sifiso wacho achiti avinga ini kana
kuti nini ndini ndaitoenda kumba kwavo,
musiyei mhamha ko imi munopinda papi
munorwadziwa nei?

Ko kana akafa nenzara munoita sei munhu


anoyamwisa anoswera asina kana chaaisa
mukanwa uku basa achiita ummmmm
munonotsva chete kudenga.
Mom :. Ndisiye zvangu kana wave
kumuda ingotaura usade kuita fanika
unomuziva Mwari wacho. Hezvo dai waimuziva
waizonomitisa here pedzezvo womuramba
pedzezvo woda kuita tutsitsi twenhema pano.
Ndidzo dzinonzi tsitsi utsinye dzauri kuita zvino
ini ndinongobuda pachena zvandiri handiiti
sewe unoita serwaivhi rusingazivi colour
yarunoda runongoswero chinja chinja. Ini
handina kumbobvira ndamuda sewe wakaita
hwenyoka inoruma chaisingadyi , ndakangogara
ndamuramba kubva pakutanga nazvino
handimudi pano pamba pangu. Muri
kutondifosa mose nababa vako dai manotsvaka
kwekunoisa munhu wenyu nekuti pano ndipo
paachabva chete.
Ummmmm mashoko aitaurwa namhamha
airwadza kani ndinotoshaya kuti ko ivo
chaivarwadza kusvika pakuvenga munhu
zvakadaro chiii.

Zvaiva nani daddy pavaive paleave , nekuti


Sifiso aiwana chikafu uye basa aiita zvine
mwero.

Vazhinji venyu mungatofunga kuti ndakuda


Sifiso kwete Sifiso ndakangogara hangu ndati
kwete hongu ndakamutadzira kumupa mwana
asi handina kumumanikidza taiwirirana.
Chainyanyondirwadza inyaya yekuti ndaisada
hangu kuona munhu achishungurudzwa kana
kunyimwa chekudya.
Ini nemafungiro angu ndaitoti zvimwe mhamha
havapindi dzisiri dzavo ndaitofunga kuti Sifiso
handimborari naye kusvika zvepano zvamufinha.
But yooo vangu mai vanga votoda kudzidzira
kuroya pamwana wevanhu.

Kazhinji ndaitaimira zvangu kungokaruka


ndasvika ndaigowana mwana wevanhu
achinonotwa zvekuti kana neni ndaitopererwa
chaiko. Ko iko kuonda kwaanga aita ummmmm
zvakaoma hazvo hazvidi kudaro shuwa chero
munhu tisingamudi hatingamubati huyanga
hwakadaro.

Rimwe zuva akangomuka asipo zvose


nemwana wake.
Mudhara pavakazviona vakavava kani and
vakataura kuti pasina hour ndikumuda pano.
Pasina izvozvo munhu wese obva zvake pano .

Zvanga zvaoma kani seni ugoona ndaive


ndatogadzira zvekubuda kuenda kuchikoro apa
ndaive ndachinja chikoro zvaizoda here
kurovha iwe uri newcomer.

Zvino taigoziva kuti aive aenda nepi.

Pakutanga mhama vaifunga kuti mudhara


varikuita zvemafunnies . Ndakaona voignore
zvavo vachipinda mumba.

Mudhara vakatevera mumba muya, ndakaona


zvobuda zvakatsomana neni ndikatoona kuti
pano paipa. Handina kuda kuudzirwa zvekuita
nekuti ndaiziva kuti mudhara vachipedza
namuchembere vari pandiri.
Saka ndakaivhurawo speed ndakananga
nekudanga . Haa mudhara aive ovava manje
kwete zviya zvekutamba zvekurevesa and
vakataura zvakawanda vachipopota handina
kumboziva kuti mudhara vaivava zvakadero ini.

Ndakazoti ndave chinhanho ndokupinda


mukaroad kaidzira , ndipo ndakatanga kuona
push yaSifiso ndakafara kuita fanike ndaive
ndatomuwana izvo kwaiva kufarira kuti
zvandaona tsoka yake ndikaitedza ndaizogona
kumuwana.

Ndakafambisa ndichitevedza tsoka iya


ndaifunga kuti ndogona kukurumudza
kumuwana ndozoenda hangu kuchikoro.

Zvakasara zvoitika kuna mhama handina


kuzombozvitsvaka ndaive ndatove kumashure
kwenguva. Hameno zvavo ndivo vaive
vakonzeresa kuti Sifiso wacho atize pamba
ugoona ndakashaiswa kana mukana wekutarisa
kuti hembe dzake dzaivamo her?

Zvandaifunga hazvina kufamba sekudero nekuti


Sifiso wacho aisabatika. Ndaramba
ndichitevedza tsoka yake chete pamwe
ndaimborasana nayo nekuti munhu wacho
aifamba achimbokona kona.
Ndaiona fanika aitevedza michero pamwe
yaitova nyaya yenzara. Ndakazoti ndave
bemberi chaiko ndokuona tsoka iya yo........

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision

By Linda
0611169903

Chapter 7

Baba Brian

Apa paive potoda kusunga dzisimbe chaiko


nekuti ndega ndainyatsoona kuti ndikaita
zvekutamba ndaizogona kuitirwa ngozi chaiyo.
Mai Brian ndaisavachenesa nini kubva pavapa
mwana mushonga wekubvisa nhumbu moyo
wangu hauna kuzomboda kugadzikana.
Zvosangana nenyaya yemuroora yavaive
vatenga kuita ivo Brian chaiye.

Zvino muroora wangu ahana kwaaienda nekuti


ndainge ndatomudzidza kubva achikumba
kwavo chaiko. Kana pari pabasa yaiva shumba
chaiyo. Ndakazviziva kuti chero mai Brian
vakada kumupfidzisa nebasa zvaisabatsira
chinhu coz munhu wacho aisazeza basa and
aiita nemazvo.

Chokwadi nekufamba kwenguva ndaizoda


kumuitira chimwe chinhu chaizomufadza regai
muone. Ndaingonamata kuti dai hake
angonamata kuitira kukunda miyedza.
Waitova mutsimba chaiwo kana vari mai
vepano vaisatoda kana kumuona ndaizviona
zvangu kana ndiripo vaiita zino irema kuita
fanika vaimuda.

Vaisaziva kuti maths dzavo ndaive


ndakadzibata kare zvino uyu ndiye aisabva
pano kana vacho vasingamudi vaitofanira
kubva ivo iye achisara.

Pandakambotora leave zvakatomboita nani


nekuti ndaisabva pamba ndaida kuona kuti
adyawo nenguva here sevamwe.

Aiwa apo zvaiendeka chero mwana aikura


zvinodadisa ko iko kufanana baba vacho
waisambobvunza zvako.
Mazuva aifamba zvekuti ndakazosvika
pakuenda kubasa. Sezvo ndaiona kuti zvainge
zvave nani kuna vamwene vake , ndakazoenda
hangu kubasa moyo wangu wati sunungukei.

Ndaienda zvangu makuseni ndichidzoka


kwadoka semunhu rume ndainonotswa zvangu
nekuti kana tachaisa ndaimbotenderera hangu
munzvimbo.

Pose pandaisvika ndaiwana zvinhu zvose zviri


normal asi chaizondishamisa inyaya yekuti mai
Tawe anga ongoperezeka haaaa zvakandinetsa
ini kuti chaive chiii.

Kutobvunza mai vacho vaingoti tigere


zvakanaka chero kubvunza iye wacho aingoti
hapana chikunetsa baba.

Ndakangozosiyanawo nazvo ndikati pamwe


kuyamwisa asi dai aigona kutaura ega nyaya
yake pamwe zvaizoita better ndaizowanawo
pekutangira.

Mazuva akafamba ngoma ndiyo ndiyo muroora


wangu aitowedzera kuonda zvakave zvakaita
kuti kana neniwo nditange kuzvidya moyo.

Rimwe zuva akangomuka asipo ummmmm


ndakarwadziwa hangu handidi kunyepa
ndakamhanyira kuisa munamato wekuti arege
kufunga pfungwa yekuzviuraya nekuti mhepo
dzinofamba veduwe.
Ndichipedza kunamata ndipo ndakaenda
kunovhurumusa vanhu vangu vaida kundionesei
mwana wevanhu akazviuraya taimuripa
tikamugona ko iko kuda kutiparira ngozi
mumusha chokwadi vamwe vanhu vaive vasina
moyo. Mai nemwana kutokutsirana kutandanisa
mwana wevanhu asinawo chaakatadza.
Chokwadi vabereki ngatirege kudaro ndiko Saka
muchizoona vamwe vana vachizongotetereka
nenyika kana kuzviuraya chaiko anenge ashaya
kuti oita sei mwana nekuti kwese vanenge
vachimuita gandidzanwa.

Manje uyu ndiye wandinoda pano ari mupenyu


nhasi kana asina kudzoka pano hapadyiwe
rinopisa.

Ndakavaudza vese mai nemwana kuti endai


munotsvaka kwamaisa mai Tawedzerwa
izvozvi kana kubasa handiendi ndisina
kumuona pano.

Uyu Brian akambofunga kuti ndikuita mafunnies


but paakazoona kuti hapachina kumira mushe
akabva angobuda akananga kusango.

Mai vacho ndivo vaida kutoonererwa hanzi "kuti


tashayei kutsvaka munhu mukuru akadero
ukaona munhu ave nemwana chitozivai kuti
akura. Kana aenda agona kuda tingafurwa
nemhepo pano nekuti zvanya.."

Vasina kana kupedza zvavaida kutaura ndaive


ndavasvikira and ndaive ndatozviona kare
nekutaura kwavaive vaiita kuti ndivo vaitova
honzeri chaiyo. Zvino nhasi ndipo ndinoda
kuvaratidza matrue colours angu.
Ndavaverengera kakawanda mai ivava vane
zvizhinji zvavanoita ndichivaregera vachifunga
kuti vakangwara.

Ndakangosviko vamhara nembama mucheka


chaiwo ndofunga vakatomboona rima nekuti
vakadzadzarika zvekuda kudonha, zvekuti dai
vasina kunozendama pamudhuri wemba haaa
mukadzi mukuru aigemhuka.

Pavakaona ndosimudza zvakare ruoko vakabva


vaona kuti zveshuwa ndanga ndakagumbuka
zvekurevesa. Ndipo vakatanga kumhanya
vachibudawo neside ravo.

Ndakavatsoma ndaida kuti zvityise


vanyatsoona kuti ndaisaseka.
Vakamhanya mukadzi mukuru kuita sechana
ndikati yaaaa ndizvo muzive zvekuita.

Ndakazobudawo neside rangu kuti tibatsirane


kutsvaka mwana wevanhu.

Ndakati fambe fambe ndisina kure


kwakanyanya kwandaive ndaenda ndakaona
Brian akamira akabata rushaya achiratidza
kurwadziwa zvakanyanya.

Ndakazviziva kuti yaiva nyaya yekuti aive


atsamwira kuti aive atadza kuenda kuchikoro.
But zvaizoita here veduwe chero ndimiwo kuti
aizoenda kuchikoro tisiri kuona mwana
wevanhu kuti aripai uye mupenyu here?
Ndakafambisa ndakananga paaive akamira
paya, iye kuda akafunga kuti ndinoda kumurova.
Ndakaona munhu ochedha achidzokera
kumashure but aive akanongedza pane chimwe
chijochoni chaive pedo nepaaive akamira.

Ndakaswedera paye kuti ndione kuti chiii


chaaive akanongedza pandakangonoti zisi
tsveee kutarisa kuya ndakarohwa nehana
nezvandakaona.

Ndakatadza kutaura asi kuti ndakaramba


ndangoshama muromo manzwi airamba
kubuda nezvandaive ndaona
*Sifiso*

Veduwe kana mozogara ndoda kungopa


yambiro kune vechidiki kunyanya isu vasikana.
Chokwadi ukangoera warasa chance
yeumhandara hwako ziva kuti wanyura
zvamuchose.

Ndicho chinhu chakakosha paupenyu ichocho


ziva kuti ukagona chete kuzvibata wagona
kugadzira ramangwana rako nekuti hakuna
anozofa akakutsvinyira and unenge une
mukana mukuru wekurarama zvaunoda.
Umhandara chombo chikuru cheupenyu
musaita zvekutamba nahwo hahusi
hwekungopihwa munhu sesadza.

Zvino ini ndave panguva yakaoma nekuda


kunzwa zvisina zero.

Kubva pangopera leave yatezvara nhamo yangu


yainge yatanga. Ndaishaya wekuzviudza asi kuti
ndaingopedzera shungu mukuchema
nemukuzvituka.

Mazuva mazhinji ndaiswera nenzara dzimwe


nguva kutorara nayo. Ndaitoziva kuti ndinodya
kana baba vacho varipo kana kuti iye Brian
aripo.

Aive asingandidi hake asi ndaitoona kuti aive


netsitsi neni.
Amwe mazuva ndaitomunzwa achipopotera
mai vake kuti moda kuti mwana wevanhu afe
nenzara here? Asi mai vacho
vaitombozvitsvaka here chavo vaida kuti ndiite
basa rese zvekuti ndiwanewo chekudya
dzaitova ngano kwavati. Chokwadi vakuru
vakareva vakati kusina mai hakuendwi iyezvino
ndapfidza handifi ndazvipamhidza futi.

Dai ndine wekusiira mwana ndaisiya hangu


ndoenda kubasa nekuti zvinhu zvacho zviri
kuwedzera kuoma.

Nzara yaive yondikurira zvekuti kana simba


chairo rekuita basa rainge ropera. Uku kunwiwa
apa munhu usingawani chikafu chakakwana,
kazhinji ndainge ndorarama nemakoko paya
kana ndosuka.

Zviya zvekusema inhema guys unenge usati


wainzwa nzara ndaive ndongoshinga kuitira kuti
mwana awane mukaka. Kusango chaiko
tsvubvu nenyii zvaivako asi ndaisatenderwa
kana kubuda yard namai vacho.

Zuva nezuva upenyu hwaiwedzera kuoma kana


kuri kuonda ndaive ndosemesa zvekuti
muhembe maimboita fanika mune macabbege
zvaive zvapera kuti tsvai. Marokwe aive
ongoteverana nemuviri.

Kune vaindiziva chaivo ndofunga ndikasangana


navo vaigona kutonditi ndatove kurwara
nechirwere cheshura matongo. Apa mai vaya
ndipo vaisheedzera kuti wati wadii ? Kana zvavo
kumbonzwa tsitsi, ndakatoona kuti ndikaramba
ndiri pano ndaigona kufa kana kufirwa
nemwana wangu.

Zvaitova nani kugara mudondo ndichirarama


hangu nemichero yesango. Mvura
ndaizongononwawo kurwizi kwainwa mombe
panga pasina yekutamba nekuti chero ndikati
ndiende kumba kwedu zvaisaita.

Ndaive ndakatadzira vabereki vangu


zvakanyanya kusvikawo vandiramwa .
Handivapi hangu mhosva ikodzero dzavo
neniwo ndizvo ndipfidze. Iyezvino ndave kuziva
kuti makumbo ahavhurwe asi it's too late but
nyangwe hazvo zvakadaro next time ndichaziva
zvekuita. Hunge Mwari vandipa umwe mukana
wekurarama, nekuti nguva yandiri ino handioni
upenyu hwangu kuti huchasvika kupi.

Musi uyu ndakarara ndichironga


nekurongonyora kuti ndaizotiza sei pamba apa.

Haaa ndaive ndongoti charovedzera


charovedzera gudo rakakwira mawere.

Hameno chero zvazvaita ko ndaizviudzawo ani


hangu sendaive neanondidawo. Ndaitodemba
kuti dai mwana wangu akura ndiye aizovawo
munhu ari pedo neni zvakanyanya zvino
zvaachiri kasvava ndaisave newekuchema naye.
Sezvo nguva dzekubika zvemanheru dzaive
dzakwana ndakabika hangu ndokupa varidzi
kuti vapakure. Ndizvo ndaiita mazuva ese kana
tiri vaviri ndaive ndakapihwa mutemo wekuti
ndinopakura kana pane vanhu. Vaive
vakangwara havo mhamha nekuti vainyatsoziva
kuti kazhinji taingogara tiri vaviri.

Saka vaiti kana ndavapa kuti vapakure ini


vaisandiisira vaibva vatotanga kundinonota.
Ndaingozodzamara kurara hangu nenzara cz
vaingopakura zvavo vovhara pakare voti handidi
kuona anobata mapoto aya. Hanzi ukadya pano
uchiguta hauzofungi kudzokera kumba kwenyu
ziva kuti pano wakavinga basa chete zvekudya
izvo masanga. Hameno musi waunenge
warijumha kana tezvara vako varipo ndipo
ucharidya. And handidi kunzwa uchitaura
zvisina basa. Ukangoputsa musha wangu chete
unondiona."

Ummmmm kunonotwa kwacho kwanga


kwanyanya apa uchitukirwa pasina kana
mhosva. Ndakazoti kusi kufa ndekupi regai
ndibve pano michero yakangoti tayaya
musango umo .

Ndakakangoti kuchingonoedza ndiye mwana


wangu kumusana karanganda ndokuti bag
rangu nhaaa ndiye hutu ndakananga
kwandaisaziva.

Ndakazviudza kuti Mwari ndivo vaiziva


chandaizodya nechandauzofuga
nepandaizorara.
Ndakatanga kufamba hangu zvishoma
zvishoma ko ndaimhanyirepi sendaive
nekwekunanga.

Chandaingoda kubva pamba apa ko


ndaizoteerwawo nani sendine aindida pamwe
naivowo vatezvara vakaona ndisipo
vanogonawo kuti zvavabva ummmmm nekuti
ndikutovashaisa mufaro nemhuri yavo. Saka
regai ndibve zvangu ndisiye vanhu vafare
sezvavaiita kare ndisati ndauyapo.

Ndaona kuti kwaive kwati dziyei uye kazuva kati


kata ndipondakatanga kunzwa nzara iya
yonyanya zvino. Dzimwe nguva nzara ikaziva
kuti uri kufamba nzvimbo ine chekuti uise
mudumbu inobva yaita manyawi chaiwo.
Ndakafamba zvangu ndichitevedza michero
tsambatsi , maroro, tsvubvu zvose nenyiii haaa
musi uyu ndakafunga kuti ndichabatwa
nemudumbu chete nekuti kana dziri senyii
netsambatsi ndaiita kudya ndichimedza
nemhonzi , ko ndaidyira chinzara nzaraka.

Kuguta kwandakaita ndaive ndotonzwawo


mazamu aya kuswinya nekusisira mwana
wangu. Ndakabva ndatsvaka nzvimbo yekuti
ndimbomuyamwisa takagara hedu ndokutanga
kuyamwisana.

Ummmmm chimwana changu chakayamwa


veduwe zvekuona chitumbu chati tatanana
kuguta. Ko anga ajaira kungokwekweta
mazamo asina chinhu nekuda kwenzara.
Ndakatonzwa kufarira upenyu hwekurarama
hangu musango ndichidya michero ko ndaienda
pai nhaimi.

Ndakazosimuka paya apa ndainyatsoona kuti


ndave chinhambwe nekumba kuya and
mukufamba kwandaiita ndaifamba zviya
zvekurasisa kuti vavhiringike chero vakada
kundironda vangozoona tsoka dzacho
dzichingotendrera panzvimbo 1.
Ndakafunga kuti ndichitsvaka nzvimbo
yandaizoswera ndakazorora uye pandaizorara
kana kwavira. Ndakatenderera ndichitsvaka
painge pakapfutira sezvo ndaisava nezvekufuga
zvakawanda ndaityira mhepo kuti mwana
wangu aizopindwa nechando. Ndizvo chete
zvinhu zvandaityira. Izvo zvekuti kune nyoka
dzinoruma zvaisambove nei zvangu neni
ndaingozviisa mumaoko aMwari.

Kana ivo Mwari ukavatadzira ukabvuma kuti


ndakatadza handiti vanokuregerera havo. Saka
vaizongondivhurira makwara eupenyu hwangu
hwangu pari zvino regai ndimbogara musango
hangu semhuka.

Ko mapenzi anorarama wani June chaiye


chando chichipisa ahambofi nacho.

Ndakatenderera kuzama kutsvaka nzvimbo


yaiita, ndokuzoona pamwe paive pakaita
chijochoni pakaita kakuhwandirira ndikati
hekanhi zvangu zvaita.
Ndakapinda mukanochoni muya ndokukura
hangu kuti pachena ndiwane kutsveta bag
rangu ipapo.

Ndakapakura marara ndichinorasa nechekure


kuitira kuti pasawana chinosvikapo. Moziva
chero nzvimbo yanga ichifamba zvikara
zvikaona kuti pachena zvinobva zvachinja
direction.

Pandakaona nzvimbo yangu kuti yainge


yarongeka ndakaisa bag rangu paya
ndokubereka mwana wangu nekuti ndaive
ndatomboradzika ndakamufukidza musoro
ndaisada kuti apindwe nedust. Takatanga
kufamba michero apa ndaive ndonyanya
kunhonga tsvubvu ndaizivana kuti ndidzo
dzinobata ura saka ndaida kuzodzidya hangu
manheru.
Takazodzoka hangu nemwana wangu
netsvubvu dzedu hobho nyiii taive
tangotsvakawo shoma ndaisada dzakawanda
nekuti dzainzwisa mudumbu.

Patakange toda kusvika paye ndakarohwa


nehana kuona Brian nababa vake vakamira
vakatarisa pachijochoni chiya chandaive
ndakura ndikaisa bag rangu.

Ndakatanga kuchedha kumashure ndaisada


kuti vatione haaaa zvekudzokera kumba kuna
mai vaya bodo better kugara musango
semhuka hangu.
Pandakaona kuti handichaonekwi ndikati
chitsoka ndibereke apa ndaive ndabvisa
zvimapush zvandaive ndakapfeka ndaisada kuti
vandironde ndaive ndatofunga parefu chaipo.

Ndainge ndafunga kunobira rwizi ndofamba


hangu ndichitsvaka maricho mudzimba
dzevanhu.

Upenyu hunombosvika pakuoma veduwe


handina kumbenge ndafunga kana kurota kuti
ndichazorarama upenyu hwakadai.

Chero vaya vanoti upenyu hwenherera


hwakaoma ndaitoona huchitori nyore pane
hwangu ndaive nevabereki vose but ndairarama
upenyu hwekudya nhopi ine goko ivo havo vari
kumafura mhepo.

Zvisinei pandakaona ndave chinhambwe


nenzvimbo iya yandaive ndasiya vanhu vaya
ndakatanga kuchifamba manje asi ndaifambisa.

Zvekuti beg raive rasara handina kuda


kuzvitsvaga ndakazviudza kuti zvose
zvinozibwa naMwari ini ndaivewo ndangove
chinhu.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision


By Linda

0611169903

Chapter 8

*Brian*
Ndakaramba ndongotevedza tsoka yake Sifiso
haaaa yaiti ikadzoka yodzokera zvaitoita fanika
mahumbwe chaiwo. Sifiso anga akawandirwa
nehuhwanana veduwe zvimwe zvaitopota
zvonzwisa tsitsi.

Asiwo kana pari pabasa ummmmm anga asina


kumira mushe zvekuti akaramba akadaro
murume achazomuroora anenge agere tatata.
Ummmmm pandakangofunga izvozvo chete
ndakatombonzwa kagodo kugara pahuro pangu.
Neni ndega ndakatoshaya kuti zvairevei munhu
wandaisada ko godo raive rave rei futi haaa
zvimwe zvinhu so hameno zvazvinomboita.

Ndakazoita kutarisisa chaiko ndichitevera yaive


yatsika imwe ndiyo yandaive ndoshanda nayo
manje.
Ndati fambe fambe ndakazoona inga hezvo ko
tsoka dzaive dzatopfumbidza kanzira. Kupinda
mune chimwe chijochoni , hana yangu yakarova
zvekuti ndakaita kubata pachipfuva nemaoko
ese. Hameno kuti ndaive ndamhanya here
kufunga zvisizvo or zvandainge ndafungira
dzaitova chokwadi.

Manje kana dziri chokwadi aizondiguta Sifiso


kureva kuti ane munhu waanayeka mujochoni
imomo. Ko nemhaka yei akandipomera nhumbu
yake, ummmmm asi mwana wacho vanhu
vanongoti akafanana neni.

Ndichiri kufunga paya, apa ndainge ndabata


rushaya manje ndobvunda neshungu ndaitotya
kutarisa kujochoni kuya ndaitya kuti ndingazoita
ngozi apa ndaida kutanga ndadzikisa hasha
ndisati ndanobata vanhu vangu.

Chokwadi mombe dzedu vaidzidzosa chete


nenzenza yavo yavaive vakaregerera.

Ndichikufunga kudaro ndakavhundutswa


namudhara vaivewo vasvika pandaive
ndakamira.

Handina kuda kutaura navo zvizhinji


ndakangovanongedzera chete kuya kwandaive
ndaona Sifiso ane munhu wake mujochoni we.

Ndakaziva kuti pavachaona mabasa emunhu


wavo wavaida kudaro dzungu rose raizopera.
Pandakavanongedzera vakabva vaitawo
semunhu arohwa nehana asi ndakanzwa
vondipandukira pakarepo.

Hanzi "saka chawakamirira pano chii uchitadza


kutarisa mwana wevanhu ko kana azvisungirira
mujochoni imomu unoita sei. Kandi sei iwe
namai vako musina moyo manje mwana
wevanhu akafa munopatuta mose namai vako
handingambogari nevanhu vanoroya masikati
machena. "

Zvamudhara zvaitova nechirevo chete vaitadza


here kufunga kuti munhu ane chikomba chake
mujochoni imomo.

Haaa ndakavaignore ini ndikatoita kugara pasi


chaiko ndaive ndisina kana simba apa zuva
raive rakwira zvakanyanya dzanga
dzotomhanyira kuva
masikati.tichingoshandiswa nemunhu hake aive
nesamhu dzake.

Ndakavarega vachibhidhaira vachienda kuya


ndikati dai vakangonosangana nazvo ikoko
dzungu rose ripere kuti tsvai.

Pasina chinguva ndakanzwa vondisheedza


hanzi Brian huya kuno nekukasika.

Ipapo ndakabva ndatoziva kuti chachaya


ndokuenda ndichiita kumhanya chaiko. Ndisati
ndambosvika pedo mudhara vakati vatanga
kundinonota uku vachindinaya nemibvunzo.
*Mudhara*

Saka nhaiwe Brian wasvika nguvai pawanga


wakamira ipapo.

*Me* : Ndatove nechinguva ndiripo .

*Mudhara. : Ko chakutadzisa kuti uuye


pedyo uzotarisa mwana wevanhu kuti aripo
here chii heeee ndati chii Brian hindava
muchidaiso vanhu imi zvakanaka here izvi Brian
chii ichi chandakabata heee pindura izvozvi
kurumidza ndisati ndakukanganisa.

Panga patoshata kani mudhara vanga vodya


ukwenzi mumaoko vakabata chipepa
chetsvubvu nechenyii.

Ndakazopotsera ziso paya pandaifungidzira


kuti Sifiso anechikomba wanikwe hapana
munhu rinongova bag nenyii netsvubvu zvaive
zvakabatwa namudhara.
Vakabvawo vanditema kumeso nezvipepa zviya.

Nechemumoyo ndakazvinyarira kuita fanika


imbwa yakwira mubhazi ndaive ndongoti roi roi
zvimeso. Regai vakuru vakati kufungira ipfumo
kuna Mwari hezvo ndaive ndatogaira Sifiso
zvisizvo pachinzvimbo chekuti nditarise ini zare
kufunga zvinhu zvakaora.

Dai ndatarisa nenguva pamwe ndingadei


ndamuwana asina kure kwaaenda.

Mudhara vakazotanga kuvava kani hanzi nhasi


hakuna anorara kumba kana tisina kuwana
Sifiso.

Ipapo mhamha vakabva vangotiwo pfacha


kusvika vachibudawo nekuside kwavowo.
Pavakangonzi baaa namudhara vakati
vawedzera kuvava kwacho.

Mhama vakatanga vachifunga kuti kuda


mafanisi vakaona mudhara vosimudza
monarch raSifiso ndipo vakasiya vataura
pachena kuti kana musina kumuwana kumba
kwangu hakuna anotsika ivhu repachivanze
changu.
Ndatopedza nemi this time ndinoda kuti muone
rumwe rutivi rwemoyo wangu kuti rwakamira
sei ? Kana makajaira kundiona ndiri munhu
kwaye rwendo runo ndoda kuti mukanditarisa
muone shumba chaiwo mumeso menyu.

Ndokutanga kufamba zvavo vachienda nebag


remuroora wavo.

Mhama ndakangozonzwa vosheedzera kuti


ndamuona uko .

Ini ndokumhanyira kuti kupi mhama, vasati


vambondipindura vainge vatogamhiwa
namudhara hanzi wamuona ukaita sei?

Mhama : Ndamuona ndikatohwandawo ini


kuti asandione kuti ndiri kumutsvaka.

Moziva ndakapererwa nemashoko amhamha


zvekuti ndakangokwanisa kuti aaaaa
ndokuramba ndakashama muromo.

*Mudhara* : Kana wamuona ukahwanda


wagona ndaenda mosara morangana
kwekunanga mai nemwana, kwangu kwete
kunze kana mauya nemwana wevaridzi zvose
nemwana wake.

Neiwayo vakabva vatofamba kuenda havana


kana kumbocheuka.
Ndakasara ndokutanga kupopotera mhama
zviya zvekuti mai havaudziwe chokwadi
zvinenge zvichanaka kwete zvaita manyama
amire nerongo sezvazvaive zvaita apa.

Ndakavabvunza kuti nhai mhama kana muchiti


mamuona mukahwanda isu tabva
tichimhanyiswa kumba kuti timutsvake
munorevei ?

Mom : Haiwa ndirege zvangu handina


munhu wandiri kutsvaka ini hamenoka iwe
nababa vako munomuda mutsvakei.

Me : Saka zvanzi kana musina kumuwana


musauya kumba muchadii ?
Mom : Ndichadii nei unotozivaka iwe
kwekundiisa handiti ndiwe muparanzvongo
munhu anofamba achimitisa vana vevanhu
zvino hezvi ndoswera musango nenzara nekuda
kwako dai ndisina zvangu kubereka
ndakatogona.

Ummmmm mashoko aitaurwa namhamha aiita


kubaya setsono pamoyo chaipo zvese izvozvo
zvaive zvabvepi kunze kwekuti vangotaura
kwacho kwavaive vamuona ndiende hangu
kunomutora sezvo ndaive ini muparanzvongo.
Me : Zvino mamuona kupi nhai mhama
ndiende hangu.

Mom : Ndamuona achibira rwizi akananga


nekudivi kwaMakuvaza uko. Kana wamuwana
moziva kwekunanga nemunhu wako ini
ndikutoti zvandibva imi takarasima kuteverana
nemhepo inongovhuvhuta zvayo nenyika.

Wakamutarisa unoona fanika mukadzi


wekuroora akaita seuya idzo tsvina dzakadero
munhu asingazivi kuti kunogezewa.

Mashoko amhama aitobowa chero kuteerera


mhama vaitoita fanika munhu akagarwa
nedhimoni rehutsinye. Regai vakuru vachizoti
muromo wako ndiwo muroi mukuru chokwadi
rurimi inyoka, rwamhamha vangu
rwaingozvidudzira rwega. Munoti chero
ndikazonzwa kuti mai vako vabatwa kwakati
vachiroya ndingarambe here veduwe. Varikowo
here vanana mai vakaita sevangu kudai.

Ndakaona kuti ndikada kuzviteerera kwaitova


kurebesa munamato sadza richipora.

Ndakabva ndatotanga kumhanya ndakananga


nekwavaive vataura kuti vainge vaona Sifiso
achienda.

Ndakamhanya guys nenguva diki diki ndaive


ndatobira rwizi ndave muvillage macho mainge
marehwa namhamha.

Ndakatanga kubvunza zvimwe zvipfanha


zvemombe zvandakasangana nazvo.

Zvakabva zvangotaura pachena kuti zvainge


zvamuona ndokundirondedzera kwazvainge
zvamuona.

Yoooo chaitove chinhabwe chaicho kubva


pandaive ndiri.
Ndakarusimudzira ndonanga kuya kwairehwa
apa ndaingoita zvekumhanya chokwadi ndaive
ndaibva nekuneta asi semunhu aive kumashure
kwenguva paive pasina yekutamba.

Ndakamhanya veduwe ndikazvirega


ndakazosangana nevamwe vasikana
ummmmm umwe wacho anga akanaka kani
zvekuti ndakazoita nguva ndakamuyeva
kutokanganwa kuti ndaitsvaka Sifiso.

Ndakazotanga kutevera vasikana vaya


ndichizama kutaura navo ummmmm ndanga
ndada umwe wacho ini guys zvaisaita kuti
ndiite give up. Pandaive ndave pedyo navo and
ivo vaive vatondimirira, mumoyo mangu
ndakangofunga kuti Sifiso hana yangu yakarova.
Ndakabva ndatotendeuka nguva iyoyo kwava
kurusimudzira ndakananga kuya kwandainge
ndaudzwa nevapfanha vaya.

Vasikana vaya vakatozosara vondisheedza


hanzi " nhai bhudhi imi ndizvo matimisira here
hindava mune miedzo kudero?"

Handina kuda kumbocheuka ndaive ndatove


kumashure kwenguva.

Ndakamhanya ndakusvika pamugwagwa


waifamba nemotokari.

Ndakutanga kukwidza nawo ndakazoti ndisati


ndamboti fambei nawo ndokucheuka kutarisa
zasi kwaibva nemugwagwa. Ndakaona
kwakamira vakadzi vaviri vairatidza kuti vainge
vakamirira bhazi or kombi.

Ndakati regai ndidzire kwavari ndinobvunza


munhu wangu. Ndakafambisa ndakananga
kuya, pakarepo ndakanzwa kudhumha kwemota
yaiuya. Ndakatoti regai ndimhanye vanhu avo
vasati vakwira ndibvunze ndiko kuti
ndigobatsirika.

Ndainge ndave kutosvika ndakarohwa nehana


ndichiona umwe wacho ari Sifiso apa
akatobereka mwana. Umwe mukadzi ainge
wechikuru waaiva naye akatanga kutoninira
ruoko kumisa mota iya ini ndaive ndave
kutosvika but mota yanga yatomira vanhu
ndokutokwira . Ndakazama kuvamisa kuti
vasakwire asi hazvina kuita saizvozvo mota
yakatobva yasimuka. Ndakabvawo ndatanga
ku............

*Baba Brian*

Ndanga zvino ndachizopererwa manje moyo


wangu waipisa kuita moto chaiko wesi
pandakaona tsvubvu nenyii zvaive zvanhongwa
namai Tawe ummmmm ndakarwadziwa
veduwe. Kuda shasha yaive yagadzira kudya
kwayo kwemanheru. Zvaingove pachena kuti
muroora wangu ainge atiza nzara pamba pangu.
Chokwadi moyo wangu wakatanga kuita
sewaive murimi remoto chairo. Nyangwe ndimi
veduwe mwana wevanhu kufunga kugara
musango semhuka achirarama nemichero .

Ndakadzamisa pfungwa dzangu kuti ndizame


kufunga kuti ndaizoigona sei nyaya yakadai, izvi
zvaitomboda kudaidza Jesu ndiye chete aiva
mubatsiri weupenyu hwangu.

Ndakangosviko tsveta bag riya ndokugwadama


ndotanga hangu kuudza Mwari nhamo dzangu
uye kutsvaka zano kwavari.
Ndakatora nguva ndichinyengetera ndakazoti
ndanzwa kuti hana yangu yagadzikana uye yave
panzvimbo ndakuchivhara hangu munamato
wangu.

Ndakatora chair yangu ndokunogara hangu


pakati pechivanze ndichizvibvunza mibvunzo
yaishaya mhinduro uye kuzvitongesa kuti
ndichazovei.

Ndikoka kutotongerwa musha nemukadzi


kwacho uku.

Guys mukanzwa vanhu vaye vanopomera


vakadzi kuti heee vanoda kutonga heeee
akadyiswa nemukadzi pasina nyaya huru
yakaita seyangu iyi zivai kuti munonyeperana.
Hakusi kudyiswa uko zviya zvekuti mukadzi
akati manwirei mari yese doro imi motofamba
muchiti akadyiswa mukunyeperana ndiko
kuvaka kwacho musha mukadzi akadero mupei
sando dzake nekuti anoziva zvaakavinga
mumusha mako. Ahana kuuya kuzokuukera
uchiparadza pfuma asi kuti akauya kuti
muzobatsirana kunganidza nekuronga zvinhu
zvenyu mese pamwe pasina anoparadza.

Ini ndini munhu anonzi akadyiswa manje


ndinonyimirwa mwana wevanhu chikafu
agoonda kuita zvimwe agotiza kuda kunogara
musango nekuda kwenzara pano pamba
paheadmaster chikafu chichipfachukira, matura
akati tayaya kuzara mari kubhangi yakazara,
ndichitoshaya kuti ndingatengei nayo asi
konzwika kuti kune umwe munhu ari kutoda
kufa nenzara pano pamusha pangu zvekuda
kutonogara musango chaimo.
Ndiko kunonzi kudyiswa kwandakaitwa dai
ndisina kudyiswa ndingadai ndakadzivirira
mwana wevaridzi akawanawo chekudya,
sababa vemusha ndaifanira kuita plan nenguva.
Zvino zvazvadai mwana wevanhu akazviisa
pagavi ndinoudza ani ndinozvitaura ndichitiii ?

Zvino nhasi chaiye ndinoda kuzvirutsisa


mupfuhwira wandakapihwa ndega pasina
nanga kana muprofita.

Mangwana chaiye ndinofanira kugadzirisa


zvinhu zvangu zvese. Chekutanga mai Tawe
achidzoka pano anofanira kudzokera kuchikoro
ndiyo decision yekutanga yandatora inogona
kurerutsa upenyu hwake nhasi neramangwana
rake.
Chepiri zvekunyara kana kuti vanhu vanozotii
nekuti ndaenda nemwana kuchikoro, anofanira
kutosiya pfungwa iyoyo atarise zveupenyu
hwamangwana. Paari ndipo pane mwana wake
ndichataura naheadmaster vekusecondary kuti
vamubvumire kudzidza aine mwana wake.

Kana ochema anobuda onoyamwisa mwana


wake odzoka muclass mune vamwe.
Ndichatsanangurira head kuti ahana wekusiira
mwana wake plus vanhu havavimbike better
kuve nemwana wake paari.

Chetatu mai Tawe ahasisiri muroora wangu ave


mwana wangu wandakabereka kubva nhasi.
Ndinoda kumubatsira muupenyu hwake kusvika
upenyu hwake hwarongeka , chero akazoroorwa
achibva pano hapana chakashata as long
upenyu hwake hwave right, ndizvo zvinhu
zvandatarisana nazvo asi vakasamuwana
hapana anotsika chivanze changu ndatopedza
so.

Ndakazosimuka paye pandaive ndagara


ndopinda hangu mubedroom kutorara chaiko
nekuti mosquito dzanga dzotanga kuruma
panze sezvo kwaive kwatodoka.

*Mai Brian*

Ini ndaitova shirikadzi chaiyo nekuda


kwemwana ainzi Sifiso ndiudzei kuti kana
mufaro pamba painge pasisina kana muri
muimba yemukati handichatauri hangu.

Musi waafuma asipo ndakanzwa kufara kunge


ndichabata denga.

Baba vaya pavakazozviona kuti muroora wavo


aisavapo vakaita kuuya vari mvirima chaiyo
ndakapihwa mucheka zvekuti ndakaona
nyeredzi.

Asi zvose izvi zvaisava nebasa kwandiri chaive


chakakosha kubva kwaSifiso pamba pangu
ndaisambomuda zvachose.
Ndakamhanyiswa kuti ndinomutsvaka,
ndakabva ndatopinda zvangu munzira yekurwizi
kunozvigarira ndakahwanda ndaizodzoka
ndichinyepedzera kuti ndamushaya ndiniwo
ndadii zvangu paaivhura makumbo ake
ndaisavapo ini

Ndakagara zvangu kwenguva refu ndakazoti


zuva ratokwira chaiko ndaive ndonzwa nzara,
ndakachifunga hangu kudzokera kumba.

Ndakasimuka paye pandaive ndakagara kuti


ndichizvidzokerera kumba.

Ndichiti simukei ndakaona uyo munhu


nemwana wake kumusana asi aive asina bag
zvakatondinetsa kuti raive rasiiwa kupi sezvo
kumba raive rabviwa naro.

Ndakangoti verere mumakwenzi ndaisada kuti


andione aizoda kudzokera neni kumba zvinova
zvandaisatoda kana kunzwa zvanga zvaive
zvatondibva.

Paakapfuura ndipo ndakazobudikira pachena


ndoenda nekwaaibva nako.

Ndaida kuona kuti bag raive rasiiwa kupi


ndikangoriwana chete rakavigwa ndoda kuritora
ndokanda murwizi roerera nemvura anopfidza
chete yaakatanga ahafi akayihwinha.
Ndakaita kufambisa chaiko ndaida kukasika
kuwana bag iroro ndiite sekutaura
kwandamboita.

Ndakapinda nemuchisango maaive abva namo


ndokunzwa manzwi aitaura ndakambomira
kuteerera ndokubva ndamaziva manzwi aya.
Ndakazongoti regai ndisvike ndione kuti
varikurongei ndipo ndakasangana nazvo baba
vaya vaive vawedzera kutsamwa ndoda
pandakati ndamuona ndikahwanda ndaive
ndaita kuzviparira chaiko.

Pakanzi timutsvake ini handina


kwandamboenda ndichitambisirei zvangu
nguva yangu.
Ndakangoudza Brian kwandaiva ndamuona iye
Brian ndokutevera iniwo ndokutevera mushure
mababa vaya, asi vaisandiona ndaitove
chinhabwe kuti vasambondione.

Ndaizosvika pamba kana Brian wacho auya


naye Sifiso wacho.

Ndakasvika ndokugara hangu nechekusango


kwandaisaonekwa. Kwakasvika pakudoka Brian
asina kudzoka. Kukasvika pakusviba pasina
munhu adzoka mosquito dzikati dzapenga
kuruma. Chemusi uyu handina kuona zvakadero
ndakarumwa veduwe makumbo kumeso
maoko kusvika pakuzvimba.
Ummmmm mosquito dzacho dzaiita fanika
dzaitumwa kuti indai munoranga mai avo
vasingadi muroora. Asi handina kudzora
tsvimbo ndaisamuda hanguzve chero
dzatumwa handidzori moyo.

Ndakazoti ndaona kuti ndingatorware


nekurumwa, ndokunyahwaira ndoenda kumba
kuya ndakangosvikoti pfeee mukitchen
chinyararise ndaisada kunzwikwa.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E
💔💔💔💔
Her own decision

By Linda

0611169903

Chapter 9
*Sifiso*

Pandakana Briana nababa vake varipaiva


nemonanch yangu ndakabva ndangoona kuti
ndikaita zvekutamba pano ndinotodzoserwa
kumba kuya.

Ndakatanga kufambisa ndichiverera


nemakwenzi lucky havana kutombondiona.

Ndakaita kufambisa ndakananga kurwizi ndaida


kunobira rwizi zvekuita ndaizonozviona ndave
mberi.

Kwandaive ndoenda panguva iyi ndaisakuziva


chandaive ndoda kuti vanhu ava vasandione
and ndaisatomboda nepadiki kudzokera kumba
kwavo nekuti jere randaipika ummmmm raisava
nezero neni.

Zvekuti mhedzisiro chaiyo ndinogona kana


kuzviuraya chaiko nekuti zvinorama kana
kuzvitsangura chinoziva ivhu kuti mwana
wembeva anorwara.

Saka dai zvavo vangondisiya ndazviendera


nekuti havandide kunyangwe tezvara vakandida
asi havakwanisi kuona zvandinoitwa kana ivo
vasipo.

Ndakafamba ndakananga kurwizi kuya ndave


kupinda murwizi ndakasimudza musoro
ndokuona munhu aiita fanika mai vaBrian
akangoti verere mumakwenzi asi ndakave
nechokwadi kuti vaive ivo chete hakuna umwe
ndivo nedress ravo ravaive vakapfeka.

Handina kumboita hanya navo nekuti


vaitoratidzawo kuti vaisada kuonekwa neni.

Pandakabira mhiri kwerwizi ndakabva


ndangotsaukira pane umwe musha ndaipaziva
hangu sezvo maive munzwimbo medu.
Ndaitodzidza nemwana wepo mukomana.
Handina kuda kumbonyara nekt nguva yandaive
yaisave nguva yekutombonyara.

Inga vakuru vakati ukanyara haugwazi.

Ndakasvika ndokuwana mhuri yacho yepo yese


iripo paitoita fanika paive nefunction.
Ndichingoti tisvikewo munhu wese akabva
angoti meso jiiii kwandiri zviya zvekushamisika.

Ndakatomboda kudonha nenyadzi asi semunhu


aive panguva yakaoma kunyara chaiko yaitova
imwe nyaya.

Ndakasvika ndokukwazisa vanhu vese vaivepo


pandakazosvika paive pakagara Simba anova
ndiye wandaidzidza naye.

Pandakatambanudza ruoko kuti ndimukwazise


akaita kukanuka achiviga maoko ake kumusana
nekutosimuka.

Akaita kutaura zviya zvemunhu arohwa nehana


uye ashamisika kana kuti munhu aona chipoko.
"Aaaaaa Sifiso chii nhaiwe kudai ndiwe here
Sifiso wandinozova kana kuti ?"

Ndakashaya mhinduro ini misodzi yakabva


yatotanga kujenga mumeso angu zvekuti ndega
ndakaona kuti asi ndatove chimwe chinhu here.

Zvishoma nezvishoma akazoswedera pandaive


ndagara ndokuti "Chiii nhai Sifiso ndiudze ndiri
umwe wako"

Ndakangomuti hapana ndokumukumbira mvura


ndakazobvunza vanhu vese upenyu ndokudaira
havo. Vamwe mai vairatidza kuve vechirungu
rungu ndakazongonzwa vosheedzera kuti
Panashe Panashe huya neplat yesadza kwaita
vaenzi kuno.

Ndakanyara veduwe ndikati ko vaonei asi


ndikuratidza kuve nenzara here ko zvandaivewo
ndadya tsvubvu wani.

Ndakamboda kuramba ramba asi mai vaye


vakati ndave munhu mukuru mwanangu
ndinotoziva nekuona ndasangana nazvo
kakawanda izvi ndichitobatsira.

Zvako zvitori nani uchikugona kufamba vamwe


kudhorobha uko unotomunhonga asisakwanisi
nenzara. Usanyara hako mwangu idya ugonwa
mvura ugozotiudza kuti zvakamira sei?
Simba akazouya ave iye abata plat yesadza
rumwe ruoko mvura akasvikonditambidza.

Heyi ndaive ndonyaya nini asi sadza ndaitorida


ndaive ndave nemazuva ndisina kumboridya
ndichirarama nemakoko kana ndosuka.

Ndaive ndangogara zvino ndakayeva plat iya asi


moyo waive wotodokwaira kuti ndidye.

Simba ndiye akazoti idya zvako Sifiso nyaya


yako ndoiziva yese nhamo yako ndoiziva yese.

Nhamo yei nhai Simba uye nyaya yangu


yaunoziva ndeyei? Ndakabvunza hangu
asindaitoziva kuti pamwe pane zvaakanzwa
pamusoro pangu sezvo taimbodzidza
pachikoro chimwechete uye ndipowo
paimbodzidza Brian asati achinja.

Idya sadza iro Sifiso, guys panenyaya pamunhu


iyeyu itoitai plan naye imi mai Tambu magara
nuchitsvaka musikana webasa matoita mhanza
mavhurirwa namwari chero ane mwana wake
anonoshanda naye mukangogona izvozvo
chete muchaona nyasha dzaMwari
dzichiwedzerwa pamuri.

Mai Tambu : Ukutiiko Simba nyatsotiudza


kuti zviri kufamba sei uye nyatsonanga nyaya
yako nekuti musikana ndinomuda hangu asi
kwete ane mwana wake anonoshanda sei
mushop achimwisa.

Simba : Uyu mwana wepaNgandu pamhiri


apo taidzidza pachikoro chimwe akamitiswa
naBrian uya wekwaNyarongwe pamhiri zvakare.
Saka nyaya iripo muface ahasi kuda mukadzi
anondiudza nyaya dzese dzekumba kwavo.
Zvino anoti mom's vake vatori ivo vari mberi
kusada Sifiso uyu zvekuti kana chikafu
havamupe , inhema dzangu here Sifiso hauponi
nemakoko here iwe uchisuka kana ndanyepa iti
kwete.

Mai Tambu : Haa iwe ukureva paNgandu


pamai Sifiso here ?
Simba : Hongu iyeyu ndiye Sifiso wacho .

Mai Tambu haaa wakunyepa manje ndaichiona


ini chifirst born chavo ndochiziva kwete uyu iye
mukobvu and ane body hombe plus mwana
mudiki wandinoziva ini kwete uyu asi vane
umwe here mberi kwaSifiso wandisingazivi?

Simba. : Mave kutoitaka nharo neni


mubvunzei uyu agere apa ndiye Sifiso iyeyi
kuonda kudai kushaya chikafu uye
kushungurudzwa.
Mai Tambu vakabva varovanidza maoko
ndokuti zvakaoma , chokwadi kana neni
ndakarwadziwa hangu.
Vakazotarisa kwandiri ndokuti zimhandara
kuzvara ndiko kumwe chienda unotaura
nevaunogara navo kuti wawana basa, kana
mapedzerana wozouya pano simba okukwidza
wotevera Gweru kwandinogara
wozozvishandira hako.

Pandakanzwa izvozvo ndakabva ndafunga


tsumo iya yekuti ukanyara haugwazi.
Ndakatoona kuti pano better kutaura nyaya
yangu yese kana vachida havo kundibatsira
vobva vaenda neni.
Ndakazotanga kurudunura nyaya yangu yese
kusvika pakutiza kwandaive ndaita uye kuti
kwaisadzokeraka apawo Simba aive akaita
kumira neni achizama kutsanangurira sisi vake
nyaya yekutambura kwangu zvaingove pachena
kuti aiudzwa naBrian.

Inga zvakaoma shuwa ndakatanga kuita


kamunamato nechemumoyo kuti dai
vangobvuma kuenda neni.

Sezvineiwo apunyaira ahashaye musodzi


mother vaya vakazonzwisisa havo
vakazobvunza kuti zvino ko bag rehembe
dzemwa uye dzaingu raive kupi nekuti vaitove
kumashure kwenguva.
Ndakatongovaudza kuti ndaisambokwanisa
kudzokera kunotora nekuti ndaive
ndatopukunyuka mukanwa mamupere saka
zvaisata kuti ndidzokere.

Vakazonzwisisa zvakare iii kune vanhu vane


moyo yakanaka veduwe vakabva vatoti
Panashe anotarisa zvihembe zvishoma
zvekuchinja mwana vakati zvizhinji tainozviona
mberi. Vakazoti sezvo nguva yainge yapera
ndingonogeza makumbo nepese paikodzera
mwana ndoita wekupukuta.

Ndakafara veduwe nenguva isipi ndaive


ndatopedza ndakazopihwa hembe dzekuchinja,
ndokuchinja hangu zvose nekuchinja mwana
wangu.
Ndainzwa kufara kani veduwe kuti ndiniwo here
ndave kusiya kushungurudzwa namai Brian.

Ndakambofunga tezvara vangu moyo wangu


wakamboda kuti batikanei asi ndakakurumidza
kukandira pfungwa dzacho kure nekuti
dzaizondikanganisa mafungiro angu.

Ndakazopedza ndokutopinda muroad kuenda


kwaikwirirwa mamota.

Asi tezvara vangu havana kubuda mubrain


dzangu ndakatombodonhedza twimisodzi.
Ndakazviudza kuti ndinofanira kushinga gore
razvinondinakirawo ndichavarangarira chete.

Takazosvika paroad paya hatinakumboita


nguva tiripo pakabva patosvika imwe mota
yaideedzera Gokwe centre takabva
tatongopinda.

Mota isati yasimuka ndakaona Brian


achitoninira mota iya kuzama kuimisa.

Hana yangu yakarova kani ndaive ndisina


kumbofungira kuti anganditevera
ndakatozviziva kuti kwaisadyiwa rinopisa
kumba kwavo.

Handina kuita basa nazvo ndakatonamata kuti


mota isambomira.

Zvinoita Satan driver vaya vakabva


vatongomisa mota iya semunhu anenge
achitsvaka macustomer vakatofunga kuti
munhu ari kuendawo.

Iye abva ainda mberi kwadriver handina


kunzwa zvavaitaura cz ndaive ndotsvaka
pekuhwanda mumota muya. Kutoti pano
ungapawana musi uyu ndakademba kuti dai
ndiri svosve hangu ndatohwanda chero
pandada.

Ndisina kumbobvunzwa ndakatanga


kudonhedza misodzi ndichitoudza mhama vaya
kuti musambobvume murambe neni handidi
kudzokera ini.

Mom's vaya vakatoshayawo kuti ndairevei


vanga vatove confused chaiko nezvanga ndoita.
Brian akazofamba achiuya kumashure kwataive
takagara akasviko vhura door remota semunhu
akudawo kukwira, ndokumira pamukova paya
ndokuti " Buda iwe tiende kumba urikuda
kuendepi"

Ndakanga zvino ndasiti kwati namai vaya apa


ndave kuhwihwidza kuchema chaiko.

Driver vaya vakaona kuti vave kutopedzerwa


nguva yavo vakaburuka kuuya kumashure kuya
ndokuti " nhaiwe musikana buruka uende
nemurume wako ndizvo munodira varume muri
vadiki kuti muzotinonotsa nzendo dzedu".

Murume uyu kutoita fanike aive atengwa


naBrian ndakazviudza kuti muno handibudi
nyangwe zvidiii?

Mai vaya vakazoti zvatatsurana naBrian manje


ko handiti nyaya yese vaiziva here ndaive
ndavaudza zvese.

Akaitiwei Brian ndaifunga kuti kuda acharamwa


akaenda asi ahana kuenda. Aingoti kuna mai
vaya hadzidzokeri kana ndisina mukadzi wangu
munoda kuendepi naye.

Driver akatiwo aigamha hanzi chero nemi


hamuoni here kufanana kwakaita mwana uyo
nababa vake regai munhu adzokere nemurume
wake.

Haaa panga paoma kani asi ndakabheja


pamberi pavo vese kuti handisi kuzodzokera
better kufa pane kudzokera.

Brian akazoti kuna driver vaya taura namudhara


wangu shaa unzwe hako kana munhu uyu asiko
kumba hakudzokereki better mother avo
vatoenda nesu tose nekuti ini handina
kwekudzokera .

Akakazofonera mudhara vake vakabva


vatongodaira ipapo ipapo kuita fanika vaive
vagara vakatobata fon mumaoko.

Driver akabva angovaudza kuti muroora wenyu


akuramba kudzoka chiii chamuri kuita mwana
wevaridzi nekuti zviri pachena kuti pane
something wrong chikuru chaicho.

Mudhara vakabva vati mupei fon nditaure naye,


ndakaona ndogamuchidzwa fon iya kuti
nditaure navo haaa ndaisada izvozvo ini.
Ndaitozviziva kuti ndikangotaura navo chete
ndaizodzokegwa neni.

Driver uya paakaona ndaramba kutaura navo


akabva ati makutondipedzera nguva
ndakutotova pasi hameno ikoko.

Brian paakangoona driver osimudza mota


akatobvawo angopinda mumota muya faster.

Akabva atongoti kuna mother vaya


motonotichengeta tese nemukadzi wangu
zvave kwamuri motongotibhadharira tese mari
yerwendo.

Apa mota yanga yatosimuka and Brian


aitoratidza kuti aisadzora tsvimbo.

Mother vaya vakatozoona kuti mutambo


watsvuka ropa ndokusheedzera kuti driver
amise mota yake.

Ahana hake kuita nharo akabva angomisa


ndokuti marongei ndave kumashure kwenguva.

Mother vaya vakatotaura vachiburuka hanzi


chindisiyai pano muende navo nekuti ini
ndatopererwawo ndanga ndiri kuda kubatsira
mwana uyu manje kana zvadai
handichazvikundi.

Vakadzika driver ndokupinda kuti arove pasi


nesu tiri vaviri. Zvino ini pandakaona mother
vaya vabuda mumota misodzi yese yakabva
yaoma kuti gwaa .zvino zvawedzera kuoma

Apa Brian aive ave zii zvake atogara akadekara


zvekuenda chaizvo zvino taizoendepi mother
vaya vazviburukira.

Pandakazoona driver uya orova mota yake


ndipo ndakasheedzera kuti tiburutsei henyu apa
tanga tatove chinhabwe chaicho.

Akazomisa zvake ndobva atanga kuseka zvake


hanzi muchinyanya vana vadiki kumhanyira
zvinhu, zvino hezvo wave kuda kutiza murume.
Murume ahatizvwe zvekumhanya wanzwaka
inda upe murume wako zvaanoda.

Ndakangonyarara ini aidero nekuti aisaziva


mararamiro angu chokwadi vamwe vanhu
havana kana moyo.

Taburuka kudaro akazodzosera mota


kumashure ndokunotora mother vaya.

Ndakatanga kuchema ndakangomira paroad


paya apa Brian agotanga kundiseka hanzi
wakaura wawanga uchida kuti ano
shungurudzwa natezvara vako ndiani famba
tiende kumba apo.

Ndakamuudza kuti better kufa pakudzokera


kumba kwenyu. Ndichingopedza kutaura
akabva afonera baba vake kuvaudza kuti
ndikuramba . Vakabva vabvunza kuti muri kupi
iye ndokuvaudza vakati mirai ipapo ndikuuya
usarega mai Tawe vachibva ipapo.

Chokwadi baba ava ndiyo yaitova imwe miedzo


mikuru chaiyo vaida kuti ndife nenzara here
pamba pavo.

Ko vainyanyondidii chaizvo. Haaa ndaive


ndorwadziwa nemukana waive warasika
ndaizouwanepizve umwe mukana wakadai.

*Baba Brian*
Ndakapinda mumba ndokurara asi hope
hadzina kuuya nenyaya yemwana wevaridzi.

Uku kwaitova kuwedzera mhosva panusoro


peimwe. Ndaizozvireva ndichitii kuvabereki
vake and vanoziva kuti mwana wavo aripano.

Kana vari sana Brian hakutozikanwi kuti


imhosva yatakatakura muno mumusha hombe
chaiyo.

Pandazonzwa ofona achiti taurai nadriver Sifiso


akutoenda ndakabva ndati vamupe fon asi
akaramba , ipapo ndipo ndakatoona kuti
mutambo uya watsvuka ropa chairo. Ndakabva
ndangoudza Brian kuti pasina mai Tawe pano
pangu hapana anotsika saka aifanira kutoita
plan nekuti ndiye aive mupara dzvongo.

Handina kana kuchizorara ndakatomuka


kubuda panze kuti ndimbotendera hangu
semunhu aive panguva yakaoma.

Ndiri panze paya ndakanzwa semunhu akosora


mukitchen asi akakosorera pasi pasi zviya
zvekusada kunzwika chaizvo ndakati regai
nditore touch nditarise kuti ndiani?

Asi moyo wangu wakangondiudza kuti ndimai


Brian chete hakuna umwe. Ava ndivo vandaida
kudzosera kumusha kwavo kumbonorairwa
chero vakura zvavari izvozvo.

Ndakapinda mubedroom ndokutora chitirobho


zviya zvatinosungisa mombe netouch yangu
ndokubuda ndakananga kukitchen kuya.

Touch ndanga ndadzima ndaiziva kuti


vakangoona chiedza vaizosana kutiza, zvino
ndaida kuvapa lesson yeupenyu hwese.

Ndakanyatsosvika padoor ndokumira


ndakateerera ndakanzwa shasha ichitorova
zvayo ngonono ndikati hekanhi waro.

Ndakavhura door riya ndokupinda mumba muya,


wanikwa shasha yakatofa zvayo nehope
ikutorova ngonono yakarara pabench riya
rinogarwa mukitchen.
Ndakachiregedzera chitirobho
nechekumagadziko uku ndakaona munhu oti
vharavhazu kumuka ndikati nhasi ndoda kukupa
chifundo.

Ndakavabika zvekuti vakapedzesera vareura


vega zvese zvavaiita Sifiso pamba kana tisipo.

Ini ndaingorova chete kumusana


nekumagadziko mai yepi isinganyari kunyima
munhu chikafu kana ndimiwo guys.

Ndakazoti zvino ndaneta nekurova ndokuti


pfugama apaizvezvi.
Shasha yakapfugama fast, nini ndokuti chera
chikomba izvozvi nenzara upfire mate uti
ndapfidza handichazvipamhidzi apa maive
mucement . Ndaida chete kuti vaone kuoma
kwazvo vasazozviita futi. Vakatanga kuzama
kuchera chikomba chiya mucement
ndakavaudza kuti pfira mate izvezvi uti
ndapfidza. Vachikutaura kudaro fon yakabva
yaringer apa yaive muhomwe ndakamira
zvandaiita ndokutora fon iya. Ndakaona ari
Brian aifona ndipo ndakadaira ndichitobuda
panze. Akabva angotaura kuti Sifiso akuramba
kuuya daddy ndakabva ndangomuti amutarise
asaenda ndaizosvikapo nekukasika.

Ndakatonzwa shungu kuti dai ndavapamha mai


vaBrian kuvarova nekuti ndivo vaive vatipinza
busy yose iyoyi neutsinye hwavo.

Ndakabva ndatonanga kunopinda mumota


ndokuirova ndakananga kuroad kwaive nana
Brian namai Tawe.

Moyo wangu waive wati gadzikanei nekuti


ndaive ndiziva kuti mwana wevanhu awanikwa

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E
do

Her own decision


By Linda

0611169903

Chapter 10

*Mai Brian*
Chero ndozogara hangu ummmmm handina
kumboona murume ane hutsinye sababa Brian
aiwa ndipo paive pamusha pahwo chaipo.

Makamboonawo here kuti munhu


ungarohwerwa kuti unotsvaka munhu mukuru
akaita saSifiso. Handiti kutova nemwana
kwaive kutoziva zvaaita here and zvaitoratidza
kuva munhu mukuru chaiye.

Ummmmm ndakazorohwa veduwee zviya


zvekunyatsonzwa ndega kuti apa ndashandwa
baba vairova havo ivavo. Ndakatomboda kuti
dzorei moyo wangu nekuti ndakaona kuti
ndikaita zvekutamba ndinogona
kutozochembera ndaremadzwa nababa ava
kana kutodzorerwa kumusha kwedu chaiko.

Apa vaive vatombozvitaura kuti vaida


kundidzosera kuti ndimbonorairwa, ndairairwa
chii zvangu chembere yaita seni kudai, munhu
atova nemuzukuru nyika yonzwa kuti
ndadzorerwa kunorairwa, vanhu vangasati
mashura chaiwo.

Ndakatozotenda fon yavo yakaringer ndiri


pakati pekuchereswa chikomba mufloor kana
ndimiwo guys.

Tingati kuitawo here ikoko, panguva yacho


ndakatomboti dzaa kuzama kuchera kwacho ko
panga pashataka.

Ndaive ndaibva nacho chitirobho, musatamba


veduwe chitirobho chinorwadza kwete
zvekufungidzira ugoti ndiri mutsvuku zvidya
zvangu zvaive zvasiti piriviri kutsvuka ropa
nekurohwa. Ko iko kumagadziko kwaiita
kushosha kani kungoti ndaisakuona chete, asi
ndaiti kana ndogara ndaitotanga ndaruma
muromo nekuti kwairwadza kwete zvekutamba.

Pavakabuda vachidaira fon ndakabudawo ndiri


bara ndaitotya kuti vachipedza kudaira phone
yavo vaizogona kudzoka kuzondipamha futi.

Kubuda kwandakazoita havana kundiona nekuti


vaive votofamba kuenda kumotikari kwavo
hamheno kwaive koda kuendwa neusiku ihoho.

Handina hangu kure kwandakazoenda nekuti


ivo vanga vatorova pasi ndaizomirira kudzoka
kwavo.
Ndakangozoisa kamunamato kekuti
pavanodzoka vasandirove futi ko handiti ndaive
ndapfiriswa mate pasi here ekureva kupfidza.

Hameno kana ndaizokugona kupfidza kwacho


nekuti waitova mukwidza chaiwo kurega
mwana ainzi Sifiso achigara pamusha pangu.

Ndakaona vaita chinguva vasina kudzoka


ndipowo ndakanyahwaira kunopinda muspare
bedroom. Ndimo ndaive ndatofunga kurara
hangu ko mukitchen manga musisaiti kana muri
semubedroom haaa umo ndaisatombopindamo
kunze ndaona baba ava kana vasununguka.

Nyaya hombe yanga yavapo ndeyekuti kana


Sifiso akadzokwa naye naBrian ndaizokwanisa
here kugara naye mune zvakanaka. Apa moyo
wangu wakandirambira ndakatombozama
kuufonyora asi wakatowedzera kuita zibundu
zihombe chairo.

Haaa ndakazviudza kuti akangodzoka chete


ndichazama kupretender kumuda asi ndaizoita
plan yangu muchihwande zvekuti ndoda kuti
anyekere chete afunge kuti apawiner pano.
Ndoda kumuendesa akavarairwa mwana wepi
asingasvodi, takara sima kugara pausingadiwi.

Anoti kuda handizvioni kuti pane zvaakaita


murume wangu hezvo ndabvuraudzwa kurohwa
nekuda kwake, makambozviona kupi imi kuti
munhu unorohweswa nemuroora.

Isu tinoziva kuti muroora anofanira kuita


zvakanaka chete pamusha pevanhu. Zvino uyu
anga andiburura, kutiza pano kunovaka
chimusasa musango kuitira kuti kana vanhu
vomutsvaka vanongomuwana faster. Izvi
ndofunga ritori dhiri chete raakaronga nekuti
anonyatsoziva kuti baba vepano havadi naye.
Akaziva kuti akangotiza chete ini ndinobva
ndapinzwa panguva yakaoma nekuti
kunongozikanwa kuti ndini ndaita kuti aende.

Haaa mwana akangwara uyu veduwe , apa


ndiko kunonzi kurongerwa dhende chaiko
kwaakandiitira. Vanotiza toziva vachingotiza
vachitoenda kwavasingawanikwi isu kwete izvi.

Zvino ini ndinoda kumutamba yakadzidza mirai


muone ngaadzoke chete zverwendo runo
handidi kuti baba ava vambondiisa panyaya
yacho nekuti dhiri randiri kufunga haaaaa ka1
kani.

Pano ndipo asingambogari and mazuva ose


apfuura ayo , Brian airatidza kumunzwira
zvitsitsi zvichida mwana wangu
akatopfuhwirwawo sababa vake haaaaa mwana
akaoma iyeyu.

Pasina nguva yakati rebei ndakanzwa mota


kudhuma ndakaziva kuti kwadzokewa.
Ndakakurumidza kumuka paya pandaive
ndakarara ndakanyatsozviziva kuti zvatanga
hameno veduwe kuti ndaive ndatadzawo here
kubara mwana mukomana zvino hezvo ndogara
nzima nekuda kwemunhu asingagoni
kudzungudza musoro wake kuita fanika ndewe
dhaka.

Pakazosvika mota pamba ndakanyepedzera


kuda kuita munhu kwaye ndokuenda paya
payaive yamira.

Ndichosvika ndakarohwa nehana kuona Sifiso


akagara pamother's sit, haaaa ndakarwadziwa
zvekuti zvese zviya zvandaigaya zvekumbo
pretender ndakabva ndatozvikanganwa ,
ndokuunyanisa paface nguva iyoyo uku baba
Sifiso vaitoburuka mumota nguva iyoyo.
Takabva tangasanganidzana meso apa ndainge
ndichakafinyama zvekuti baba Brian vakabva
vangozviona.

Havana kuda kundirega ndakadaro vakaita zviya


zvinonzi kurovera imbwa pachinyiro chaiko
kwete kurova wakaviga mupini haizozivi
chayaroverwa.

BaBrian : Hausati wasiya hunhu hwako


nanhasi chauri kufinyama ipapa chii taura
kurumidza, wakazviregerera haikona , apa
vaitofamba vachiuya kwandiri.

Haaaa ndakaona kuti ndikaita zvekutamba


mutambo ungatotsvuka ropa nekuti baba Brian
vanga vatogumbuka kare. Ko kana vagumbuka
ndainyatsovaziva saka ndaifanira
kutokurumidza kutora action vasati vandimhara
nembama.

Hazvaizoita veduwe ndaive ndichiri


mumarwadzo ekubikwa kwandainge ndaitwa
nechitirobho. Zvanga zvatoshata futi ndakaita
kuzvikanda muvhu chaimo ndichigwadama
ndikati aiwa baba musachandirove handina
zvandashora ndatofara kuti mauya naye
muroora.

Baba B : Unodaka kundiita fuza rako chii


chauri kusungira chiso wakatarisa mwana
wevaridzi uri shumba here iwe?

Me. : Kwete kwete inyaya yekurwadziwa


chete muviri yangu ndiyo ikuita ndipote ndichiti
kana zvorwadza ndofinyama kumeso.

Ba B : Ok zvive zvakanaka pano handidi


kana kuwana imwe problem pano pamwana
wevaridzi tikunzwanana here?

Me : Ndazvinzwa baba.
ndakabva ndangodairira mudenga apa
ndichitoenda kuside kwaive naSifiso nemwana
wake. Iye zvake Sifiso wacho kungoramba
akagara mumota kana action yekuratidza kuda
kubuda.

Ndakasvika padoor remota ndokuti


nditambidzei mwana maiguru kuno muburuke
mupinde mumba.
Ndakaona oita kanenge kakuignore ndikati
unonyepa iwe. Ndakaramba zvangu
ndakanenekedzera maoko kuda kutambira
mwana.

Brian aive akagara kumashure paakaona


ndaramba ndanenekedzera maoko akatoseka
zvake ndokutarisa kudivi obuda mumota muya.
Ndakanyatsoona kuti kuseka kwake aive
atondibata munyati yangu kare. Asi handina
kudzora tsvimbo ndakatopamha futi kutaura
kuti ndipei muzukuru wangu anopindwa
nechando.

Akazondisvitsa hake asi zvaingove pachena


kuti hana yake yaisagutsikana neni asi ini
wacho handina kumboita hanya nazvo.

Baba vacho vaivepo vachakamira vakabva


vangoti mabasa ako mai Brian, maka mashoko
angu rimwe gore achakupumhisa muroi
zvichenjerere izvozvo kana wakangwara but
nerimwe remakore ndichazokubvunza
zvandataura izvi zvaitika.

Takazofamba topinda mukitchen muya baba


Brian handina kumbovadaira ini chikuru
ndagamuchidzwa mwana.

Iwe Brian imbosiya zvekuenda kubedroom


imbopindai mese mukitchen umu pane
mashoko andinoda kutaura vanhu musati
manorara, vakadero baba Brian nekuti iye Brian
wacho ainge otonanga kunorara airatidza
kuneta mwana wangu.
Chokwadi anga aneta mwana wangu munoti
kubva makuseni achingomberereka kutsvaka
mukadzi mukuru anoda hake kuzviitisa.

Takapinda mumba muya ndokubatidza mwenje


nekuti maive murima ndokugara hedu pasi
tamirira speech yababa.

Vakazoti munhu wese anyatsogara


ndokuzotanga kutaura kuti .....
*Brian*

Mhama vaitove queen drama chaiye chero


ndimi dzaive tsitsi dzei kubvisa mwana
wemvana madziwa.

Pavakati kuna Sifiso nditambidze muzukuru


wangu kuno ndakatoziva kuti kwaitove kuda
kuvhara chaiko pane zvavaiva vatoronga.
Ndakatoseka zvangu ndichitarisa divi
ndokubuda mumota muya. Ko munhu unotoziva
mubereki wako kunze nemukati.

Mudhara ndivo vakazotiunganidza mukitchen


vane zvavaimboda kutaura nesu tese semhuri.
Takapinda zvedu muya mudhara ndokutaura
zvavaifunga pamusoro paSifiso uye vakapa
homekome kuneni namhamha kuti pasafe
pakaitika sezvainge zvaitika kuti Sifiso atize
pamba.

Vakatsanangura zvakare kuva kwaSifiso


pamba pedu yaisava nyaya diki asi kuti taitove
nemhosva hombe yatainge takachengeta
pamba pedu. Vakataura zvakare kuti kugara
zvakanaka kwaSifiso pamba pedu kunoita kuti
kana vabereki vake varerutsewo moyo yavo.

Zvekuti vaigona kuzoti titaurirane vatore havo


mwana wavo mune zvakanaka.
Vakataurazve kwandiri vakati kubva nhasi
ndaifanira kutora Sifiso sesister yangu
ndaifanira kumira naye kurema kana kunyorova.
Zvisinei kuti tainge taita mwana tese vakati
taifanira kukanganwirana tozvitora fanika
taitamba hedu mahumbwe. Tainge tave
panguva yekuronga zvitsva tichienda mberi
nekuti hakuna munhu anomanikidzwa kuroora
munhu waasingade. Asi vakati taisafanira
kuomesera Sifiso kubva nhasi zvichienda mberi
aifanira kusununguka kuita semunhu ari pamba
pavo.

Vakataura zvakare kuti Sifiso aifanira


kuenderera mberi nechikoro kunyangwe zvazvo
ane mwana. Vaizonotaura nahead
wekusecondary kuti amutambire zvese
nemwana wake.

Pakataurwa zvekuti Sifiso aende kuchikoro


ndakaona vamwe mother vovhura ziso
ndikatoziva kuti zvabata.

Ummmmm mai vangu vaisave havo


nechakanaka ipapa chiii chaivhurirwa ziso ini
ndaive ndichitoona kuti mudhara vanga vagona
ipapo kuti Sifiso adzokere kuchikoro.

Zvaitova better kusekwa zvake nevamwe kuti


ane mwana pane kuti aswere kumba
achishungurudzwa namhamha.

Ndakafara zvikuru nekuronga kwaive kwaita


mudhara ndakangovaudzawo pachena kuti
painge pasina chakashata.
Zvaivewo zvoda iye Sifiso wacho kuti
achitsungirira nekuti anga agonerwa.

Takazoenda hedu kunorara. Tisati tabuda


mumba muya mudhara vakataura kuti Sifiso
aifanira kunoisa zvinhu zvake muspair
bedroom uye opihwa makey ese emba iyoyo
ndimo muchave mumba make.

Vakazoseka havo vapedza kutaura ndokuti


kana Brian wave kuzoda mwana wangu Sifiso
uchatangidza kumutsvetsva panewone
parizvino mave sisi nabhudhi , ndoda respect
pakati penyu mese.

Vakabva vatoti Sifiso anoisa beg rake muroom


imomo vakati bed nemachira zvirimo ndizvo
anoshandisa uye vakati amuke makuseni
achigadzira zvekuenda kuschoool kunotaura
nahead vacho iye aripo.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision 💔💔

Written by Linda
0611169903

Chapter 11

*Sifiso*

Veduwe vakuru vakataura vakati nhamo urimbo


inonamira. Pandiri yainge yaita kuya kunonzi
kunamira chaiko . Ndiudzeiwo ndichitiwo
ndawana basa ndipo Brian anomira chambizi
neni kuita fanika mweya wakaipa chaiwo.

Ndakarwadziwa ndakatarisa hangu mota iya


ichirova pasi kuenda namother vaya.

Misodzi ndipo yakati yatanga kuita manyawi


ndakachema kani zvekuti Brian akapedzesera
ondinyaradza ndakatomuudza kuti asiyane neni
asade kundinzwira tsitsi zvenhema ari iye aive
akonzeresa kuipa kweupenyu hwangu kuda
kuita tsitsi utsinye chaidzo.

Ndotizve ndawanawo hangu munhu aida


kundibatsira iye Brian ndiyezve ingonyuka
sehowa kuzovhiringidza zvinhu zvanga
zvarongeka.

Ndaive ndisisadi kana kufa ndakamuona pedyo


neupenyu hwangu.

And ndakangomuudza kuti kumba kwenyu


handisi kuzodzokera nyangwe zvidiii better
kugara zvangu musango ndichidya howa
sekamba pakudzokera kumba kwenyu.

Pasina nguva ndakanzwa otofonera baba vake


kuvaudza kuti ndairamba kuenda kumba kwavo.
Baba vacho ndivo vamwe vaive nazvo dzaaaa
kutevererana neni vachisiya kuita zvido
zvemukadzi wavo.

Kutoti kuna Brian asarege ndichienda kunge


vaive vasingazivi zvandaiitwa nemukadzi wavo.

Haisi nyore veduwe kugara nenzara uku


uchiyamwisa asi uchinyatsobika chikafu uri iwe.

Upenyu hwekurarama kumba kwana Brian


hwanga hondipisa kuita fanika ndaive
ndakatsika murufushe chaimo.
Ndakatoona kuti sezvo mwana wangu aive
ochema ndipo ndakagara pasi ndaida
kumuyamwisa. Ndaifunga kuti Brian achapinda
munzira kudzokera kumba kwavo asi ahana.

Akatoita kuchonjomara pandaive ndagara


ndokutanga kuda kunditaudza kuda kutozviita
munhu kwaye nxaaaa handina kana kuda
kudairana naye zvinyaya zvake. Ndiye umwewo
aive akafanana namai vake pamabasa ndiye
honzeri huru pakutambura kwese kwandaiita
uku. Kuita hwenyoka inoruma chaisingadyi.

Angada kuzviita mutsvene nhasi kubva


ndichibara mwana wangu uyu kusvika pari
nhasi mwana atove kushandira mwedzi wechi4.
Mwana ahazivi kana ruoko rwababa vake
ndiudzeiwo chero ndimi mwana ane mhosva yei
anoziva saka ngaandisiye hake Brian Mwari
ndivo vanoziva.

Pasina nguva ndakaona mota yababa vacho


pfacha pfacha avana zvizhinji zvavakataura
kunze kwekungoti mai Tawe pindai mumota
tiende kumba apa vaitondivhurira door remota.

Semunhu wandairemekedza zvizhinji handina


hangu kuda kukakavadzana navo. Asi
zverwendo runo ndaiizoita kuvaoneka chaiko
kuti ndave kumboenda kumba kwedu vabereki
vangu vati ndinogara pamba nevana.

Chero zvangu ndisingagoni kunyepa zverwendo


runo ndinotodzidzira chete nekuti nzara chaiyo
haisi tsvina inogezwa.

Vakairova mota takananga kumba kwavo


pasina nguva tainge tatosvika.

Chiona kana muchiudzwa kuti satan


chinemazano musarambe ndakazvionera
nemeso angu aya.

Ani chaiye mai vaBrian kunditi hunzai mwana


kuno maiguru kkkkkkk ndakasekera mumoyo
kuti ndiwo anonzi manenji chaiwo.

Ko iko kuzoti maiguru kkkkk haaaa mai yaive


nemano zvayo iyoyi.
Zvisinei ndanga ndatoona ndega kuti raive dhiri
chairo randaive ndarongerwa namai ava.

Zvisinei ndaitofanira kutamba ndakangwara


nekuti maitiro avamwene vangu anga andityisa
kana ndimiwo munhu anga asingadi kana
kukuona from noway wotoona munhu uya ave
kutokuda zvakapfurikidza pasina kana
kumbotaurirana kana kuregererana.

Haa ndoga ndakabva ndazviramba nguva yacho


asi handina zvangu chandakataura kana
kuratidza nyava yacho.
Ndakazoburuka mumota muya topinda mumba
munhu wese akapinda ndokumirira kut tezvara
vataura sezvo vari ivo vaive vaunganidza munhu
wese.

Pakazotaurwa zvandaisafungira veduwe


handina kumbenge ndakazvifungira kuti baba
ava vangafunga zvakadaro. Chokwadi
ndakatanga kudonhedza misodzi yemufaro
ndiniwo here ndaive ndodzokera kuchikoro.

Wesi pavakazotaura kuti ndaizoenda nemwana


wangu kuchikoro kwacho ndakafara kunge
ndichabata denga.
Zvekuti ndinonosekwa nevamwe kuti ndine
mwana kuchikoro yaisava nyaya ndaitozviona
sezvinhu zvisina kana basa kwandiri.
Chandaikoshesa inyaya yekudzokera kuchikoro
ndine mwana wangu.

Ndakazonzi ndichitanga kugara muspare


bedroom . Haaaa ndakafara kani kubuda
mubedroom naBrian zvaitondiremera kugara
imomo.

Musi uyu kuti nditi ndakarara ndingakunyeperai


husiku hwese ndaingonamata nekutenda
hukuru hwaMwari. Nguva yandaishuvirawo uye
yandaive ndambotambisa mukana yanga
yadzoka.
Ndakazviudza kuti chikoro ndicho ndaizoda
kukwapaidza mirai zvenyu muone.

Smairi yandairova ndakararaka handisati


ndambooita zvekuti dai mwana wangu aive
ogona kutauraka chokwadi aizobvunza kuti ko
mhamha makafarireiko kudero.

Kwakazosara koedza ndatomuka kare mwana


wangu ndakasungirira kumusana zvekuti anga
akakotsira handina kuita basa nazvo. Ndaive
ndisingadi kumusiya pandiri ndipowo ari kunze
kana ana sekuru vake. Ndivo voga munhu
wandaive ndokwanisa kuvimba pamusha apa
vaindida zvose nemwana wangu.

Pandakapedza kusungirira mwana wangu


kumusana ndakabva ndangoenda kukitchen
kunobatidza moto.

Ndaiitira kuisa mvura dzekugeza pamoto kuti


ndigogeza nemwana wangu uye baba
vaizogezawo.

Zvinoita Satan kana achinge ane target newe


anotoita plan chete kuti awane pekukuwanira.
Ndichinoti kukitchen wanikwe mai vaBrian
vatovesa moto kare pamoto mvura yatoiswa
apa uone paive netime, zvavasati vamboita imi.
Chero ndimi unoita sei pakadaro.

Kuti ndipinde mumba muya zvakaramba kuti


ndidzokere kumashure zvakaramba futi ndaive
ndangoti dziiii kumira pamukova paya semuroyi
aedzerwa.

Ivo vakabva vangondiona kuti ndaive pamukova


ndokungoridza kachikwee kaya kekushotesa
chaiko.
Ndakavabvunza kuti mamuka seyi mhamha
havana kana kudavira vakatondidhumha nedish
raive nendiro maybe vaida kunosuka,
ndakatoona zvangu kuti kwaive kuitira
kusvotesa ini.

Moziva kana munhu wakaonda ukagumhwa


nemunhu mudhafu unotonowira nechekure but
ini ndakatokurumidza kunobatira pamadhuri
emba zvekuti dai ndakadonha mwana wangu
aizokuvara chete.

Tongoti ndiwe wasangana nezvakadai guys


wamukawo kuchakati semuroora ane tsika kuti
uite basa kukitchen wowana vamwene
vatovako kare apa vokudhuma zviya zvekt
udonhe kana mazino aifanira kubva dai ndisina
kujega nemadhuri.

Haaaa ndakapererwa veduwe mufaro wese


wakabva wangopera kuti tsvai nguva iyoyo.

Ndakazotomirira vodzoka kunosiya dish riya


kwaisukirwa ndiro, ndokugwadama hangu
ndovabvunza kumuka apa ndichiuchira zvioko.

Musaone kuti zvioko kwandaita mukati kuda


ndine maoko mapfupi kwete inyaya
yekudzikisirwa. Munomboziva kuti ukanyanya
kudzikisirwa kana newe wega unotozvidzikisira
zvakanyanya nekuti unenge wave
kungozvionawo sechinhu chisina basa. Ndizvo
zvaive zvoitika pandiri.

Pandakavabvunza kuti mhama mamuka sei


vakabva vangopfuura vasina kudaira ndakati
ndiwo mukana wandatowaniswa wekuvatevera
ndinoda kuvabvunza kusvika vadaira chete.

Ndakapinda mumba muya mavaive


ndokugwadama zvakare ndokuti mbuya
vaTawe mamka sei ?

Vakanditarisa ndokusekera svoto zvikanzi


munoti uri right right chaizvo here munhu
anomanikidziwa here kutaura nemunhu kana
asingadi. Unotofunga kuti moyo wangu
muchena here nekundirovesa kwawakaita zvino
zvawaiva watiza wawana zvachinja here?

Ndakapererwa veduwe pasina nguva sekuru


vaaTAWE vaiva vapinda mumba.

Handizivi kuti vaive vanzwa here zvaive


zvataurwa nemudzimai wavo nekuti
vakangopinda mumba muya ziso rakabuda
kunge mbumburu.

Baba. :. Mai Brian kutanga riinhi kumuka


this time ndiudze kuti chii chaita umuke nhasi
kudai zvausati wamboita.
*Baba Brian*

Pandakangonzwa maiBrian vomuka kuchakati


zvarara ndakafunga kuti zvimwe munhu ari
kunoita weti ndokusiyana nazvo hangu.

Ndakaona papera chinguva ndikaziva kuti


izvozvo kwaendwa kunofurufusha mwana
wevaridzi kukitchen nekuti Sifiso ndaimuziva
achikurumidza kumuka mazuva ese saka
chaive chomukirwa namai Brian chaive chiii
chaizvo.

Ndakasvika ndokumira pamukova ndaida


kutanga ndanzwa zvaive mukati nekuti munhu
wangu ndaimuziva mabasa ake aida
kunyepedzera kuita munhu kwaye nekuda
kwekutya kurohwa chete.

Ndakamira pamukova paya kudaro ndakanzwa


mai Tawe achibvunza kumuka asi hapana
akadavira ndakabva ndaitozviziva kuti mai Brian
aive asina kusiya mabasa ake. Ndakangopinda
mumba nekumubvunza kuti kutanga riinhi
kumuka kudaro.

Handina kuda kumbomupa nguva yekupindura


munhu wepi aive asingapfidzi chero ndimiwo
ndingasauraya here nekurova mai huru huru
yakadai isingasiyi mabasa ehutsinye.

Ndakavatinha semombe ndichinovapinza


mumba. Ndakaona kuti nyango bvunza kana
kuti kurova ummmmm kwaitova kupambadza
nguva kuteya nzou neriva chaiko.

Ndakangosviko vhara musiwo wangu


ndokunyarara zvangu iyo shasha yaive nekutya
kwakanyanya pachiso kuda aiti ndicharohwa
kana kupopoterwa manje ini handina kumboita
seizvozvo ndakatofuga musoro.

Ndizvo zvinoitwa kana munhu akunetsa guys


usamubvunze kana kumupopotera nekuti
anozoita manyawi asi ukangomusiya akadaro
anozvipikisa jere rinorwadza ega.

Kuti apinde mumachira aive onyara ini zii


zvangu ndikati ngazvikachane ikoko kuda
upenzi hungapere.
Munhu akazotanga kurongedza rongedza
mubedroom zvisati zvakamboitwa kkk mumoyo
ndakati uchapinda hko mumuforo.

Pandakaona nguva dzangu dzekuti ndinogeza


ndiende kubasa dzakwana ndakamuka
ndokuenda.kunogeza ndakawana muroora
atondidziisira mvura.

Akaidira mubucket ndikati asiye yakadero ,


ndakabuda kunomutsa mai Brian kuti vanoisa
kubathroom ndiro raive ravo iroro kwete kuda
kufurufusha mwana wevaridzi.
Takazopinda.mumota ndokubuda takananga
pachikoro chandai dzidzisa ndiri headmaster.
Hatina kumira, takadarikira kuenda
kusecondery uko ndaida kunonyoresa Mai
Tawe.

Ndakanosviko taura nahead wacho akamboda


kuti netsei nenyaya yemwana akati tsvakai
nheni anosara nemwana kumba nekuti mwana
aizogona kuchema akavhiringidza vamwe vana
kudzidza zvakanaka.

Kana neniwo ipapo ndakapanzwisisa ndokuti


kuna mai Tawe heyo nyaya mwanangu
totsvakaka munhu anosara nemwana kumba
sezvo wanzwa zvataurwa nemukuru wechikoro.

Ahana kudaira asi kuti misodzi ndiyo yakadaira


yaive yotoerera nematama ake.
Zvinova zvakazopa kuti kana naivowo head
vaye vangogamuchira zvaivepo nekuti
tainzwanana.

Ndakanzwa vave kutotenda Sifiso kuti hanzi


"ndatya newe mwana iwe vazhinji vezero rako
havatombodi kuzvitaridzira kuti vane vana
vazhinji akangoona arambwa anobva atobisa
nhumbu kana kunorasa mwana chaiko.

Ndiko kusaka muchiona nyaya dzekuraswa


kwevana dzichiwanda munhu kungorambwa
chete ahachatodiwo nemwana wake chaiye.

Saka iiii wakashinga mwanangu chengeta


mwana wako Mwari vanokutungamira."
Neniwo ndakanzwa kufara nemashoko
akataura nahead ava nekuti ini ndaivewo
ndarasikirwa nemhandara chaiyo nekuda
kwekubviswa nhumbu naamai vake.

Head vaya pavakazobvunza Sifiso kuti aive


nemakore mangani ndipo ndakada
kumbotivhundukei nekuti mutemo vaiuziva
Saka vaigona kutozoendesa nyaya yacho mberi
zvikaomera mwana wangu.

Ndakazovaudza kuti zvemakore vaizozviona


kana auya nebirth rake.
Nguva iyoyo ndakabva ndangovatora ndikati
ngatimbotaurai pachikuru nekuti nyaya
yemakore vanga voda kuiomesera musoro saka
zvaisaita kuti ndivavhare Mai Tawe aripo.

Takasuduruka paye ndokuenda nechekure


ndipo ndakatanga kuvatsanangurira nyaya yose
yaive yaitika uye kuenda kupolice uye chido
changu chandaive ndaita kuti mwana uyu aende
kuchikoro.

Vakazonzwisisa havo asi zvaitova


zvemutsimba chaizvo.
Ndakazovakumbira kuti mai Tawe atotanga
kudzidza musi uyu nekuti mabk zvese zvimwe
zvaivepo , chaive chakashota ischool unform
chete iyo ndaizonotenga hangu yaisave nyaya.
Takazobvumirana zvese , Mai Tawe
akazoendwa naye muclass yeform 1 sezvo iriyo
yaive akasiira panzira. Mwana wevaridzi
airatidza kufara zvakanyanya.

Niniwo ndakazoendawo kuprimary kwangu asi


ndaingofunga kuti dai Mai Tawe arega
kutevedzera zvevamwe vana pachikoro nekuti
ndaitozviziva kuti mazuva ekutanga
achambopinda busy kusekwa nevamwe vana
vechikoro nekuda kwemwa waaiva naye.

Ndaifanira kuita plan nenguva ndaisada kuti


awane chaizomuvhiringa pakudzidza kwake
saka saheadmaster wepachikoro ndaifanira
kutoita kuti ndimuwanire imwe room agogara
zvake uye kumutsvakira munhu waaizosiira
mwana. Zvaizoita nyore nekuti aizoti pabreak
nepalunch odzoka kuzoyamwisa mwana .

Uye zvaizoita nyore futi panyaya dzambuya


vaTawe taizoona kuti vaizomuabusira kupi.
Vaizomuona paweekand chete.

Ndakaona pfungwa dzangu dzanaka chose,


zuva iri ndaitofanira kupedza hurongwa hwangu
hwese.

Ndakazotora vamwe vana vechikoro kuti


vanogadzira dzimwe 2 rooms dzaivepo dzainge
dzisina aigara, ndimo ndaida kuti Sifiso azogara
imomo nemwana wake nanheni wacho.

Nenguva isipi dzimba dzaive dzatopera


kucleaniwa. Semunhu aive nemota ndakabva
ndatomhanya pa growth pont kuti ndinotsvaka
zvimudziyo zvekuti Sifiso azobatsirikana.

Nguva dzekuchaisa dzakazosara dzakwana


ndatodzoka kare zvinhu zvese zvainge zvatova
panzvimbo.
Takazochaisa ndokuenda kunotora Sifiso
nekuenda kumba asi rechimangwana racho
ndipo aizouya nemitundu yake ozotanga hake
kugara pachikoro.

Iye handina kumbomuudza nyaya iyi ndaida


kuzomu surpriser mangwana.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

💔💔💔
Her own decision

By Linda
0611169903

Chapter 12

*Mai Pamela*
Munoziva zvinoita Mwari zvinoshamisa handina
kuziva kuti ndichazogarikawo seizvi nekuda
kwekuti Pamela anga ogara kwamai Sifiso.
Aichengeta vana zvose nemusha nekuti Sifiso
anga aita sarudzo dzake dzaaiona
dzakamunakira.

Hongu vabereki vake vaifona vachitaura


nezvekuti ndipote ndichinomutarisa kuti ainge
akagara sei?

Asi ini ndaingofunga kuti mwana aive akagara


zvakanaka chose nyangwe zvazvo vemakuhwa
vaiuya kundiudza kuti Siifiso aisabatwa
zvakanaka handina kuda kuita hanya nazvo
nekuti iye Sifiso wacho ndizvo anga asarudza
ega nekuda kwekusateerera. Saka ndaingoti
munhu auya achindiudza nyaya yacho
ndaingobva ndamubudira pachena kuti it's her
own decision siyai akadero.

Upenyu hwanga hoendeka guys pamba pangu


chirungu chese changa chavepo.

Ummmmm vanhu vaitumira havo ivavo zvinova


zvaita kuti everyday nditarise kuti Pamela
aichengeta vana zvakanaka here?

Aiwa mwana wangu aigona hake zvaingoita


Sifiso ndizvowo aingoita ndofunga aizviona
nguva yavatamba vese.
Kana pamba paitsvairwa kani zvekuti vapfuuri
nenziri vaitombomira kutarisa pamba apa.

Ummmmm vanhu vakazenge votaurisa manje


plus kundinyeya chaiko nekuti vamwe
vaikumbira # dzana Mai Sifiso asi handina kana
umwechete wandaipa nekuti ndakazviziva kuti
vanhu vane guhwa ndaigona kuzodzingisirwa
mwana wangu pamba apa nekuda kwegodo
ranga roitwa nevanhu.

Asi vanhu havana kumira kuuya kuzotaura


nezvekubatwa huyanga kwaSifiso mumusha
mana Brian.
Ndakapedzesera kana neni ndotorwadziwawo
nekuti kubereka kwaive kumwechete.

Handina kuzviramba nekuti ndaizviva kuti Brian


aisada Sifiso.

Zvichingobvawo naiye Sifiso aive aramba kuti


timugadzire Brian wacho ade Sifiso.

Zvino hezvo ndezvipo zvaakagona kumitiswa


nemunhu okuramba zvinorwadza kani veduwe.

Ndakazoronga kuti ndaifanira kuenda


kunomuona Sifiso kuti agere sei ndigozivisa
vabereki vake nekuti hanzi ukaita chakanaka
wazviitira chero zvake Sifiso akaita
musikanzwa ahafanire kutambudzwa
zvekusvika pakuti nyika yese itaure kudero.

Ndakazomuka hangu iri Monday ndanga


ndatoronga kumboshanya kumba kwaive
kwawanikwa Sifiso. Saka musi uyu
ndakakurumidza kumuka ndokuita basa rangu
achimangwanani.

Ndaida kuzofamba kusati kopisa kwaisave kure


zvko asi waitomboti fambei.

Waingodarika raini rimwechete chete


wotoponda mune rana Brian and musha wavo
ndiwo waiva kwekutanga muraine kuside
kwataibva nako.
Ndakapedza basa rangu kuchikuseni zvese
nekugadzirira vana vechikoro ndokuzopinda
hangu munzira.

Handina kumbotora nguva ndisati ndasvika


kuma9 chaiko ndainge ndatosvika pamba
pacho.
Haaa ndakanzwa pakangoti ziii kuita fanika
paive pasina vanhu ndakabowekana veduwe
ndaisada zvekusazodzoka zvakare zvaisave
nyore kuramba wongoshanda chinhu
chimwechete.

Ndakatomboda kudzokerera kunze kwegedhe


asi umwe moyo wakaramba ndokushinga
kusvika pamba paya , ndaida kunyatsobata
chokwadi kuti hapana vanhu here?

Ndakambotora pfungwa yekuti zvimwe


vachakarara asi ndega ndakangoona kuti
nemakwiriro aive aita zuva hakuna munhu aive
achakarara. Nyangwe iye Sifiso semunhu
wemuroora ahaizorara kusvika nguva dzino.

Ndakasvika ndokuti a tisvikewo hapana


akandidaira ndakaramba ndichisheedzera chete
asi hakuna akadira.

Ndakabowekana veduwe zvekuti ndakatosvika


pakugara ndichida kuona kuti hapana aizosvika
here?
Asi kwaitova kupambadza nguva kuteya nzou
neriva nekuti hapana kana akauya pamba apa
haaa zvandinetsa kuti ko vaendepi musha wese.

Ndakazosvika hangu pakuneta nekugara nekuti


nguva dzainge dzatove kuma10:00 chaiko
ndakangagara .

Ndakasimuka hangu ndodzokera kwandaive


ndabva asi mumoyo ndairwadziwa nekusaona
Sifiso kwandaive ndaita uye ndaida kuziva kuti
agere sei zvichida vanhu kungotaura kwavasina
kuswera.

Ndakafamba hangu ndokupinda munzira


kudzokera asi ndaingocheuka kumashure kuti
zvimwe ndingangoona munhu aizosvika pamba
apa.

Asi hazvina kuita sekufunga kwangu hakuna


kana munhu wandakaona.

Ndati fambe fambe ndipo ndakanzwa hihihi


hihiiii kuita fanika mberi kwangu kwaive
nevanhu vaitaura. Asi nekuda kwekuti kwaive
nemakwenzi uye kwakapfumvutira handina
kuona kuti ndiani aitaura.

Ndakati regai ndimire ndinzwe kuti zviri kunzii,


ndaingonzwa kuti munhu akutaura asi
ndaisanzwa zvavaitaura.
Ndakaramba ndakamira chete ndakazoita
kudongorera paya ndokuona inga ndivamwene
vaSifiso apa vaitotaura vega aaaa
zvakandinetsa ini kuti ko chirudzii?

Ndakati regai ndifambe nekuti vakazowana


ndakamira vanozofunga kuti ndanga
ndichiteerera zvavari kutaura. Ndakatanga
kufamba kuti tisangane asi shasha kana
kumbosimudza musoro yaive busy kutaura
ichizvipindura.

Ndakazongokaruka ndati hewoizve nhai mbuya


Tawedzerwa, yooo mai yakavhuka iyoyo.
Ndakatoona kuti apa ndanga ndapara ngozi
chaiyo munhu anogona kutofaka nekuvhunduka.
Ndakazoti musatya henyu ndini mai Pame
nakadiiko vamukurungai?

Moziva kuti kana munhu ari pamission dzake


ahakupindure here mai vaya vakangoridza
tsamwa ndokufamba vachienda.

Ndakarwadziwa guys kusvika pakuzvibvunza


kuti ko ndavaitei mai ava.

Handina kuda kuvasiya vakadero ndakati regai


nditevere kumba kwavo nekuti apa pamwe
kurohwa nehana kwavaita.
Ndakatanga kufamba kumashure kwavo
ndichizama kuvataudza asi vaisapindura.

Haaaa mai yanga yakaoma moyo iyi ndiudzeiwo


shuwa saka chavaitadza kundidaira chii?

Ndakazoti ndanyanya kubowekana ndakavati


nhaimi mai Brian asi chii chinomboitika pamuri
makakwana here in?

Vakatoseka zvavo ndokurovanidza maoko avo


ndokuti " asina kukwana imi neni ndiani ?
Ndiudzei kuti makadzinga svava isina
chainoziva nekuda kuti mutumirwe zvinonaka
nevabereki vake hamusvodiwo here nyika
chokwadi.

Ndakatoshaya kuziva kuti mai iyi yanga yava ipi


yovopinda nayo mumoyo ndakangoti mauya
zvakanaka nhasi tinopedzerana. Kana vaisaziva
kuti nyaya yavo yekusada muroora yanga
yapambira nyika yese.

Ndakavabvunza zvakare kuti matiii ndakaita


zvangu sendisina zvandaive ndanzwa.

Apa tainge tstosvika pamba pavo, vakavhura


door repakitchen ndokuti itonyatsai kupinda
mumba titaure.
Yaaaa type yamai Brian yanga isina kuchipa
zveshuwa ndakanyatsozviona kuti mwana aive
mujeri hombe chairo.

Ndakapinda zvangu mumba muya asi ndaive


ndatopererwa kare chero simba rekuvapopotera
raive ratopera kuti tsvai nemuitiro wavaive vaita.

Ndapinda kudaro ndipo vakatanga kutaura...

Mai Brian.

Nhaimi amukurungai saka pano mauya kuzodii


zvomotopfumbidza nzira kuita fanika tave
kufambidza.
Moziva mai vaive nemukanwaakaumburukwa
nedembo ivava. Ndakangozovapindura but
ndanga ndatosvotwa kare ndakangozovati "
ndangoti ndizoonawo mwana kuti agere sei?
Vabereki vake ndivo vandituma."

Mai Brian : Matiii taurai tinzwe vabereki


vacho vachitomudawo here mwana wavo tisiyei
zvedu. Inga takaripa wani mombe nhatu dzese
dzekubvuma mhosva and.vana vese vadiki
hazvibviri kuti varoorane zero ravo. Ingori
musikanzwa chete yakaitwa nevana. Asi imi
kutosvinga kusumudza monarch muchiuya
nesvava yakadaro kuti azoroorwa.
Ndiani angabvuma kuutirwa matakanana iwayo.

Me : Zvevana zvinonetsa izvi zvinonetsa


kunzwisisa mwana akaera aziva varume better
kungoroorwa neiyeye amukanganis. Zvekukura
anokura aripo pamurume wake zvisinei kuti isu
vabereki tinozozvotora sei?

Mai Brian : Zvakanaka handifungi kuti


munombotorawo nguva yenyu kufunga mega
kuti mubvume kuti makakonewa.

Zvino chinzwai munzwe ndikutaurirei zviripo.

Ini pano ndiri mubereki akangofananawo


nemubereki wasifiso saka ndinotorwadziwa
kuona mwana mudiki akadero achiroodzwa
kungoti zvakaitwa nemwana wangu idi dai
zvakaitika kune vamwe nayave kudai
ndaisungisa vanhu ini.

Maifira mujere mose tione kuti grocery iroro


maizoriwanepl?

Zvino chinzwai ini semubereki ane moyo


ndakatoona zvakakodzera kuti Sifiso adzokere
kuchikoro sezvo achiri mwana mudiki.

Saka ndiko kwaari izvozvi ave kutozvidzidzira


uya musachauya pano muchiti mauya kuzoona
kuti agere sei.

Akagara nemaviri chaiwo and ndatowana


mwanasikana wangu kwete imi munomhanyira
kusundira vana pazvinhu zvisina zero navo.

Pandakanzwa kuti Sifiso ainge ave kuenda


kuchikoro moziva ndakanyara kuita fanika
imbwa iri mubhazi ko mai ava zvaitonga nhaimi.

Ndakatanga kuzvitongesa ndirimo mumba


muya asi moyo wangu waive wafara nekuti
vanhu vaiti Sifiso agere nzima zvaitove
pachena kuti vaitove vanhu vemakuhwa.

Mungati hakusi kudiwa here ikoko kana


vakamudzosera kuchikoro chokwadi mai ava
vane moyo wakanaka chaizvo. Kana denga
vanopinda vachiita kumhanya chaiko.

Ndakazovatenda hangu nebasa guru ravaibata


pamwana ndakatokumbira ruregerero kuti
vasandigumbukira havo .

Taifanira kubatana chokwadi nekuti ivo


varatidza chido chavo.

Ndakazooneka hangu but ndainzwa


kuzvinyarira nekuti ndiyo decision yatingadei
takaonesana namai Sifiso tikaita sezvakaita
mai ava nemurume wavo.
Havana zvavo kuzondiburitsa nekuti vaive vave
busy kubika hanzi ndoda kuti vekuchikoro
vawane chikafu chavo Chave ready uye ndisano
isira muzukuru wangu mvura yekugeza.

Ndakabuda zvangu ndokuoneka ko waive


wangova mufaro wega wega ummmmm mai
yanga yakasunguka zvayo iyoyi ndaisazviziva..

And Sifiso vaitoratidza kumuda nemoyo wose


chaiwo , zvinovawo zvakaita kuti ndinzwe
kupombonoka muviri wangu.
Munzira mese ndaingozvitongesa
nekuzvibvunza kuti ko nemhaka yei ini
pachangu ndatadza kufungawo kuti Sifiso
aifanira kudzokera kuschool asi handina
kumbobvira ndashanyirwa nepfungwa yakadero.

Handina kuzomboona kuti ndaive ndasvika sei


pamba nemufaro.

Ndakangosviko tora fon ndokufonera Mai


vasifiso ndichivaudza mamiriro aive akaita
zvinhu chokwadi zvaifadza hazvo.

Mai vasifiso avanawo kumboratidza kufara


nazvo zvekuti Sifiso anga akuendeswa
kuchikoro nanavamwene vake. Zvinhu
zvachosoka ndakabva ndatongopusawo nazvo
ino.

*Mai Brian*

Mai iyi inotoda kundijairi manje ndaigadzirira


size chaiyo inonyatsokwana .

Ndamboda kuishaudha asi ndazoona kuti dhiri


rangu haringazobudi mushe.

Ndavaudza zvekuti vega vanoinda


vachingorumbidza kuti mai vanoziva zvavanoita
ava izvo kwaani ndaitira kuti ndinyatsotamba
tsoro yangu pasina kana chandingafungirwa.

Chero pakawana chinoitika ndinoziva kuti


vachazomira neni kuti aiwa musavazore
madhaka ava vanemoyo wakanaka.

Yaaa apa ndagona shuwa kuvaudza kuti mwana


ndakadzosera kuchikoro.

Ndainge ndatove kumashure kwenguva mai iyi


yandinonotsa shuwa kuti ndiite zvekubika
nenguva vekuchikoro vasati vadzoka, pane
zvandapihwa kwambuya vaDhela uko
zvandinoda kuisa muchikafu chababa ava kuti
mawara ese apere kuti tsvai.
Ndinongonamata kuti dai zvangofamba
negwara sekuudzwa kwandaitwa.

Nekuti ndinoda kutanga ndagadzirisa wangu


murume dzungu iroro ripere kuti tsvai.
Ndikangomusota chete ndoziva kuti ndinenge
ndoita zvangu madiro uyu Sifiso anokaura
chete anenge asisina mumiririri saka hameno
ikoko chero kwaapenga achienda hakuna
anomutevera kana kumutsvaka.

But mbuya vaDhela varamba havo zvekuti


ndimupfuudze asi ini ndanga ndatomusaina
mumoyo mangu kuti zvidarike. Munhu wepi
kuuya kuzoita basa rekuti ndigare
ndichitambudzwa pano iyo mhosva yangu
ndeyei chaizvo.
Ndakachizotanga zvangu kubika faster kuti
vawane ndapedza masettings angu. Kwanhasi
ndiri kuda kushanda newangu murume and
ndinoda azotevera kumashure kwangu
asawana kana chaanopikisa kana kutaura.

Nhasi Sifiso wapfidza kana waiti wakangwara


hokoyo ndombonzi aniko ini. Ipapo ndaiwuruka
zvangu ndichizvirova chipfuva ko handiti basa
ndaive ndapedza here ndanga ndangomirira
vanhu vangu kuti vachiuya.

Makambozvionepi imi kuti muroora


anoendeswa kuchikoro chero ndimiwo guys
zvimwe baba ava vaizvinyanya chokwadi.
Nguva dzavanosidzoka dzakasvika pakudarika
vasati vambodzoka. Haaa ndakatanga
kubatikana ini ko vanga vabatwa neizve vanhu
ava. Ugoona kupusa kwandaive ndaita ndaive
ndarunga zvimushonga zvacho zvese. Dai
ndaziva ndasiya zvimwe kuitira kuti kana
vakasauya nhasi ndaizoisa futi pacho
pavanenge varipo.
Asi havambotadzi kuuya kutanga riinhi havasati
vambozviita zvekurega kudzoka kumba.

Ndichiri kutemeseka musoro nekufunga


ndakanzwa mota kudhuruma ndikaziva kuti
chachaya.

Ndakatomborova kamunamato kekutenda


Mwari kuti vaita havo mhuri yangu yadzoka.
Vakasviko buruka havo mumota nemuroora
wavo ini ndainge ndakazvigarira mukitchen
ndakarereka musoro kuratidza kunge munhu
aisanzwa Zvakanaka izvo kwaani ndaidawo
kuona kuti vachandibvunzawo here kuti asi
hamusi kunzwa zvanaka here?

Izvo ndaitozvinyepera zvangu kana


kumbopindamo mukitchen macho.
Ndakatozoona Sifiso opinda akabata mwana
wake mumaoko.

Akasviko pfugama ndokubvunza kuti maswera


sei mama.
Pachinzvimbo chekudaira ndakatobvunza kuti
ko baba vaendepi vasina kupinda muno.

Akapindura kuti vainge vananga kubed room.

Baba ava vaida kuzviita nyumwa nyumwa


yenhema chaiyo, ndakabva ndangomuudza iye
Sifiso wacho kuti atore sadza ravo anovapa.

Ahana kupikisa akaisa mwana wake kumusana


ndokutora sadza riya.
Asati abuda ndakamubvunza kuti ko mwana
aisasiiyiwa asi wakanzwa kuti ndodya mwana
wako here?

Akangoti "kwete mhama munhu wacho


mazuvano arikuchema uyu ndiko kusaka
chigara ndakamusungirira."

Aitofunga kuti kuda kufamba nemwana wake


ndiko kungwara aisatoziva kuti ndanga
ndamurongera yakadzidza uyu ndiye aizoudza
vamwe chete kuti kusina mai hakuendwi. And
mwana wake ndaisava nedhiri naye. Ko handiti
aive mwana wemwana wangu ramangwana
harizikanwi.

But aigovaudza sei iye kana ndangosota zvinhu


zvangu anobvawo atotanga kupenga uku
tezvara rinenge rangova zundu kkkkk haaaaa
duzununu ndombonzi aniko ini mirai muone
vanopfidza chete gore rino .

Baba ava vakangodya sadza chete


vachingopedza ndotoziva kuti ndini ndave
nechimuti kkkk nhaka ndonakirwa zvangu
vachandiona chero kubika ndivo vanenge voti
vakabva kuchikoro vosviko ndibikira
nekundidirira mvura yekugeza. Ndinoda
kutivapfidzisa chete kundirova kose kwavaiita.

Sifiso akazopinda kubva kunopa tezvara vake


sadza apa akapinda asina sadza riya kureva
kuti aive asiya vachitodya.
Handina kuda kumubvunza kuti vadya here
nekuti zvaingova pachena kuti vasara vachidya.
Follow this link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision💔💔💔

By Linda
0611169903

Chapter 13

*Baba Brian*

Nguva yekuchaisa yakazokwana mumba muya


matopedzewa kurongedzwa zvaive ndatenga.
Nyaya hombe yaive yasara inyaya yemunhu
aizochengeta muzukuru wangu mai vacho
vachienda havo kuchikoro.

Ndaitoda munhu ane moyo wakanaka zvino


zvaizondinetsa kuziva kuti ane moyo wacho
wakanaka ndeupi nekuti vanhu havana
manyanisi.

Apa ndaifanira kutamba ndakangwara


ndaitofanira kutsvakawo munhu
anozvitamburira ndaiona sezvaizobatsira kuti
aigona kuzochengeta mwana zvakanaka nekuti
anenge otobatsirikanawo.

Saka ndaizotsvaka munhu akabvawo kuvarume


akarambwa ndinoziva kuti achaita zvakanaka.
Hezvo handiti Mai Tawe kuda kutiza kuda
kunotsvaka basa kuti azvishandire here nekuda
kwekuoma kwehupenyu.
Ndakazviudza kuti ndaisatsvakira nhenhi uyu
muvillage medu. Ndaitoda aibvawo kune imwe
village kuitira kuti asambonzwanana nambuya
vaTawe.

Mai Tawe akazouya kuprimary nekuti vaive


vabuda asi isu tisu taitanga kubuda sezvo
ndaive busy nenyaya yekuunganidza zvinhu
nekuti mumba mugadzirwe handina kukwanisa
kuenda kunomutora kusecondary.

Takazopinda mumota ndokuirova ndakananga


nekumagrocer haaaa moyo wangu waitofunga
kuti tinotsvaka chikafu tosvika zvedu kumba
takazvigutira uye pane munhu wandaipindirana
naye aive neshop ipapo. Saka ndaida kumuudza
kuti anditsvakirewo munhu anoda basa .

Takasvika paya ndokuoder hangu two plats


dzesadza and beef. Takabva tangosoterwa fast
ndokuudza muroora wangu kuti idya ugute kana
usina kuguta utaure ndiri kuda kuti udye unzwe
kuti wanyatsoguta.

Ndofunga Shona yangu aive ainzwisisa


ndakangozonyara kuti handidi kuti usvike
uchidya chinhu chawawana chakabikwa kumba
asi iye aifanira kutonzwa shona yangu nekuti
ndakangomubudira pachena kuti kana asina
kuguta ataure.
Ini ndini ndakatanga hangu kupedza kudya ko
ndaimbove nenzara here ndaive ndambowana
zvimwe zvandaive ndaisa mukanwa pandaenda
kunotenga midziyo yamaiTawe.

Ndakangosiya sadza nenyama zvakangodero


ndokuzviisa pana Mai Tawe ndokubuda.
Ndakasiya ndavaudza kuti vadye zvavo
vakadekara kana vapedza toenda hedu kumba.

Ndakazopinda mushop muya meshamwari


yangu ndakawana arimo, ndokukwazisana.
Handina kuda kupedza nguva ndakabva
ndatomuudza nyaya yekuti anditsvakire munhu
aizorera mwana achigarapo uye
ndakangomuudza kuti atsvake munhu
anotozvitamburira hake.

Akazoti ane umwe mukadzi waaiziva


aitotsvakawo basa vhiki rapera aiti mukadzi
iyeye anoratidza kuti ane mwana 2 kana 3.

Ndakanzwa kufara nekuti ndaisada munhu


wechidiki nekuti ahasati oziva nhamo anogona
kutadza kuzochengeta mwana nenzira kwayo.

Ndakazomuudza kuti kana zvichikwanisika


ngaasvike kuchikoro mangwana tizotaurirana.

Waita basa hama yangu lets hope ahana


kuzowana rimwe basa.

Ndakazobuda mushop muya ndikawana hangu


Mai Tawe apedza kudya aive otoyamwisa
mwana wake.

Ndaiti ndikamutarisa kudai misodzi yangu


yaitombojenga mumaziso nekuda kwesituation
yaaisangana nayo nezera rake irori.

Ndakazomuudza kuti achienda kumota


anonoyamwisa mwana ikoko sezvo nguva
dzaive dzafamba.

Zvaisaita kuti tizonyanya kunonoka kusvika


kumba nedzungu rina mai vari kumba uko
waizowana mbiri yafamba kuti hameno
kwavaende nemuroora wavo.

Pfungwa dzevanhu haungadzikwanisi ukada


kuzvitevedzera chokwadi kana kubatsira chaiko
haungambobatsiri uchingotya kuti vanhu
vanonditi kudiii.

Izvo tikada kuzvitevedzera tingapenga chaiko


kana kupedzesera munhu wese angova
neutsinye nekuti hakuna anenge achada
kubatsira umwe nekutya mashoko evanhu.

Saka munhu ziva kuti ahufanire kutya munhu


itya Mwari ukangodero watopedza masports
ese.
Ndakanogara kumota ndakamirira Mai Tawe
ahana hake kunonoka kuuya akabvawo
angosvika nguva iyoyo.

Apa kwanga kwatoti svibei ndakanyatsoziva


kuti nepaive pave netime benzi rangu kumba bp
yaive yatoshuta kare.

Asi handina kuita hanya nazvo ndaitofanira


kukwinya panyaya yandaive ndatanga iyi nekuti
ndoziva kuti yaizondisvitsa pakaoma nekuda
kwemashoko evanhu uye Mai vari kumba uko .

Ndaisatode kudzora tsvimbo kana kuvarairwa


nekuti ini zvandinoita ndezvekudai kana ndada
kuita chinhu chandinoona ndega kuti ichi chero
kuna Mwari chakanaka, handina anondikonesa
nekuti ndinenge ndisiri kuda kufadza vanhu asi
kuitira Mwari wangu zvakanaka.

Apa ndaisada kufadza Sifiso kwete asi kuti


kutoyamura mweya waMwari waitambudzwa
usina mhaka.

Saka ndaisafanira kuteedzera vanhu vane


hutsinye kwete.

Takazosvika hedu kumba ini ndakangonanga


mubedroom kunorara ko mukitchen
ndainotsvakei hangu ini ndaive ndakazvigutira.
Musi uyu kana kugeza ndaisada ndaizozviona
makuseni ndoenda kubasa.

Ndchiingonoti pfeee zvangu mumachira


ndakanzwa knock padoor , ndipo ndakabvunza
kuti aiva ani sezvo mai Brian vaingopinda
senyoka vaisanoka. Saka apa ndakatoziva
hangu kuti vaiva ivo.

Ndakazonzwa inzwi ramai Tawe rodaira kuti


ndini baba ,aaaa zvakatondinetsa kuti ko
nemhaka yei kubva chigariro chake pano anga
asati ambondinockera ndakati hameno
chatoitika ikoko nambuya vaTawe.
Ndakabvunza kuti kwakanaka here mwana?

Hongu baba ndauya nesadza renyu mhama vati


ndizokupai.

Me : Ok mira hako naro ipapo ndizotora ,


handina kuzoita nguva ndakabva ndangomuka
ndokubuda kutora sadza riya.

Isu pachivanhu chedu tinoziva kuti muroora


ahapinde mumba munorara tezvara
navamwene asi apa zvakatondinetsa kuti mai
Brian vainyatsofungawo here kana kuti
hwaitova usiku zvaho rima rakati ndooo.

Haa mai iyi yaitova queen drama chaiyo zvino


neni taisvitsana kumapena chaiko mirai zvenyu
muone.

Ndakasviko gadzika sadza riya pasi nini


ndokugara hangu pabed ndichifunga kuti
ndodya here kana kuti ndorega.

Ndakazofunga kudya misuva miviri zviya


zvetsika zvatinoita vana baba kuti kana
takaguta tongorapira kuitira mubiki kuti asaore
moyo.
Ndakageza zvangu maoko angu ndikunokofa
musuva wangu wesadza ndokuseva muusavi
ummmmm musi uyu mai iyi yanga yakakanga
zvayo nyama. Rute rwakatombodonha ndisati
ndaisa kumuromo ndoona sekuti ndanga
ndazvinomokera kkkk .

Apa zvaiita kunyominya sei ndakatoshaya kuti


ndiani hake iyeye aive avadzidzisa kubika musi
uyu.

Ndazosimudza ruoko rwangu kuisa sadza


mukanwa apa ndaive ndapera
nemudongodongo wekuda kunzwa kuti
zvinonaka zvakadaro?

Kungonoti nditi sadza pamuromo kudai


handizivi kuti chiiwo chakaita kuti nditsvedze
pabed pandaive ndakagara , kamusuva
kachinowira kwakadaro. Ini ndichinotsika
mukati mendiro yeusavi nebhutsu. Aaaaa
pakaitika drama chairo pasina kana 10 seconds
chaidzo.

Aaaaaa moziva kuti pakangopedza kuita


kafirimu aka hana yangu yakarova zvaitotyisa
zvakabva zvangondiratidza zvega kuti
something is wrong musadza iri ndakabva
ndatombobatwa nehasha, ndokusimudza ndiro
dziya ndaida kuti mai Brian anodya sadza rake
rese aripedze.

And akangoramba kuridya ndaitozoziva kuti


zveshuwa pane zvaaisa musadza rake.
Ndakabuda ndakananga kukitchen kuya
kwaaive ndave kusvika pamukova ndakanzwa
imwe pfungwa yangu ichiti wamhanya. China
manenji hachifambisi rega chiite zvekuburitsa
mavara acho ega. Kana vanga vane zvavaisa
ishe varamba. Haaaa pfungwa iyi
yakatondivhiringidza marongero angu.

Ndakamira paya ndokuzofunga kuti ko vanhu


zvavachabuda vakawana ndakangoti tumbi
nendiro dzesadza pamukova.
Ndakazofunga hangu kunodira sadza riya rose
mutoilet neusavi hwaro.

Ndakaenda ndokunoridira ndokudzokera


nendiro dziya mubedroom kwandaive. Chimwe
chakanyanya kuti ndirege kuvhiringa mai Brian
inyaya yekuti sadza raive raunzwa nemuroora
saka munhu akangwara aigona kuzotakurira
muroora nyoka mhenyu. Nekuti zvaingove
pachena kuti kutuma muroora pane zvaida
kuzosairira kumuroora kana paine chinenge
chaitika after kudya sadza.

Gumbo rangu raive richakangozara soup


yandaive ndatsika pandakadonha ko zvaive
zvambozofungwa nani , ndaingofunga kuti pano
ndanga ndafa.
Dai ndangodya ndafa yooo mwana wevanhu
ndiye aizoudza vamwe chokwadi nemai iyoyi.

Moyo wangu wakatobva watosviba nekuda


kwechiitiko ichi ndakanzwa kuvenga mai Brian
zvakanyanya. Vakasara vouya kuzorara moyo
wangu watosviba kuti zviii sedzito chairo .

Munhu kutopinda achitozama kuita zvinyaya


neni "hanzi inga manga manzwa nayo nzara
madya sadza rese riya mukapedza.
Ndakangopindira zviya zvekutoda kunzwa paive
nenyaya yake.

Me. : Ko asi sadza racho wanga wandipira


kundiedza here kuti uwone kuti ndinodya rakadii?

Ko zvandinosingodya mazuva ese ndichipedza


sadza unosiregerei kuvhunza sezvauri kuita
nhasi.
Bvaaa kana wanga waisa mupfuhwira bvaa
nhasi wandihwinha and wanga wakabika
zvembiri chaizvo. Ndiyaniko akudzidzisa kubika
nhasi kana kuti pane akubikira.

Ndichipedza kutaura ndakaona shasha


yonyekera kuda kwaifungwa kuti moyo wangu
muchena nezvaive zvaitika pazvisadza zvake.

Ndakazorara pfungwa dzangu dziri bata bishi


chairo kuzama kubatanidza chino nechocho asi
zvairamba.

Ndakavata ndichingonamata kuti zvazvadai


pamuti muyoro kuzoti pane wakaoma chokwadi
dai mwana wevaridzi akange asina kufungirwa
pfungwa yakashata ndinonozvireva ndichitii.

Ummmmm guys zvakaoma musaone varume


vaya vanotiza musha mukati vanopenga,
havambopengi asi kuti vanenge vaomerwawo
guys.
Mofunga sezvakaita ini dai ndisingazopedzeri
shungu pakurova munoti ndingadai ndiri pano
here.

Imwe pfungwa yakatombouya yekuti nditize


zvangu ndinozvigarira kunze kwenyika kuda
ndingambozorora.

Imwe ndiyo yakazoti ko mwana wevanhu


angatosara akadyiwa ari mupenyu chaiko. Asi
zvaive nani nekuti ndaive ndamutsvakira
pekugara saka ndaizongoona kumutumira mari
yechikoro neyekutenga chikafu uye zvimwewo.

Ndakazoramba ndatsamhirana nepfungwa


iyoyo zvekuti kana basa ndaigona kuzosiya
mazuva aitevera ayo.
Kwakazoedza ndakangosvinura ko dzaibvepi
hope naidzo pfungwa dzaiita kudyanana
nekufunga.

Ndakazoona shasha yomuka ndikati ko


moendepi neusiku huno kumba hamuna
kunzwa kuti muroora amuka kare here saka imi
munoda kunodii?

Mai Brian. :Ndanga ndatizve ndizonokuisirai


mvura yekugeza.
Me : Kwete rarai henyu ndinozonotora ndega
pandichamuka munoti zvinonetsei
kungosimudza nekunoisa mubathing
ndotogeza zviri nyore fani.

Aaaaa zvemunhu anongoda kuganhira


semajuru ndaimbomuda here ini ingati ndiwo
moyo kwawo tichazvinzwa hedu nerimwe gore
regai muone.

Nguva yangu yekumuka yakazokwana


ndokumuka hangu ndaida kunogeza nekuti
ndaive ndarara ndisina kugeza asi yaisave
nyaya zvayo nekuti makuseni ega ega ndaigeza
ndisati ndaenda kubasa. Plus zvekugeza
kahombo zvinoda vanhukadzi izvo kwete isu
varume.
Ndakangoti kupinda kukitchen Mai Tawe
achitondibvunza kumuka nekutodira mvura
yangu yekunogeza. Ndakabva ndangosimudza
mvura yangu kunanga nayo kubathing room.

Ndakasiya ndamuudza kuti atore zvinhu zvake


zvese aise mumota asawana chaanosiya nekuti
chero maweekends
ndaisada kuti adzoke pano. Pandakapedza
kumuudza zvekurongedza hembe dzake dzese
akaratidza kusuwa kukuru pachiso pake kuda
shasha yaifunga kuti ndakudzingwa pano.

Handina kuda kumbomutsanangurira zvaivepo


ndaida kuti agozonozvionera ega yaitova
surprise.

*Sifiso*

Mufaro wandaive nawo ndaisakwanisa


kuutsanangura veduwe kuti ndiniwo here Sifiso
ndave kuenda kuchikoro zvandaive ndisina kufa
ndakamborota kuti sekuru vaTawe vakafunga
kuti ndidzokere kuchikoro.

Ndakaswera ndongodzidzawo nevamwe , kana


ari saTawe kuita fanika aiziva nhamo yamai
vake kana kumbochema imi
ndakangomuyamwisa pabreak nepalunch.
Ndakatomutenda mwana wangu kuti dai
akaramba akadero zvaizondirerukirawo nekuti
handina zvidzidzo zvandaizoruza nekuda
kwemwana.

Takazochaisa hedu ndokuenda kuchikoro


kwana sekuru vaTawe zvaingova pedo napedo
primary nesecondery yacho.

Takaenda nekumashop , ummmmm chero


ndakamboona vanhu vane moyo yakanaka
avasekuru vaTawe vaive mberi. Takatengerwa
chikafu ndokudya hedu ndokunyatsoguta
nemwana wangu. Ko anga avewo kugona
kumedzawo zvisadza asi nyangwe hazvo zviri
zvishoma zvaaidya but zvaitova nani chose ,
aisatozonyanya kunwa.
Takazoenda hedu kumba ndisina nekumbogara
kwese ndaive ndatonzi ndiende nesadza rababa.

Ndakaita sekudaro ndokunosiya hangu sadza


riya.

Ini handina kana kumboedzwa kupihwa sadza


ndakangotoona kuti vaizvinetsa cz ndanga
ndakaguta zvekurevesa.

Ndakarongedza rongedza ndokutobuda kuenda


kunorara hangu.

Pandakabuda kuenda kunorara ndakaona


tezvara vakabata ndiro dziya dzandaive
ndanovapira sadza asi vaienda nadzo
kuchimbuzi haaa zvakandinetsa ini kuti ko yava
ipi iyi.

Ndakamhanya ndokunopinda mubedroom


mangu ndaisada kuti vandione kuti ndavaona.

Ndakazovhura keteni zvishoma ndaida kuona


kuti chiii chaitora nzvimbo chaizvo pano.

Ndakazoona hevo vodzoka ndiro dziratidza kuti


hadzichisina chinhu mukati.
Ndakatoshaya kuziva kuti zvaimhofamba sei
pamba apa. Ndakazosiyana nazvo ndokuti
anochengeta munhu ndiMwari .

Ndakazvikotsirira zviya zvemunhu akagarika


chaiye. Kuchiedza ndakamuka semazuva ese
ndokunogadzirira zvekuenda kuchikoro.

Baba vakazouya ndokuvatambidza mvura yavo


yekugeza. Mashoko avakazosiya vataura manje.

Hanzi ndirongedze zvinhu zvake muise mumota.

Misodzi ndiyo yakapindura yaive yongochururka


nematama.
Inga Mwari havana tsitsi zvino nevavo.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision 💔💔

By Linda

0611169903
Chapter 14

*Mai Brian*

Ndainzwa kufara kani zvangu zvanga zvazoita


manje nekuti sadza rese raive tadyiwa kureva
kuti ndini ndaive ndave kuzotonga manje. Mirai
zvenyu muone kuti mwana anonzi Sifiso kana
kuchikoro anotorega kuenda , anenge ongogara
pano achiita basa kana ngarani ndinoda kuti
kutovakwa imwe ndiri kutoona kuti iripo iyi idiki.
Nekuti kumunda chaiko achange achiswerako
achishanda . Kana zviri zvemutsimba this time
ngaatokanganwa zvake akatorasa mukana
paye paakatiza akadzoka , rwendo runo ndinoita
wekufudza semombe. But ndikutaura zvese
izvo kutokanganwa zvangu kuti ndinoda
kumusota kuti apenge angoenda nenyika. Asi
ndinoona senge zviri boe ndiko kuti abve pano
kana zviri zvekumunda ndinongoisa maricho
zvatagara tichingoita makore ese.

Ndaive ndoda kumuka pakwainge kwaedza asi


baba Brian nekuda kwerudo vakabva vangonditi
ndirare ndaisafanira kumuka makuseni.

Ndofunga vaive vondinzwira tsitsi sezvo ndaive


neasthma munongoziva kuti ukatonhorwa
inomuka.
Ndakatoona kuti zvinhu zvangu zvava kushanda
baba Brian vanga voratidza rudo uye kusada
neni chaiko.

Ndakazomuka hangu vatoenda kubasa , ndaida


manje kuchinosota munhu wangu nekuti ndaive
ndanzi ndinongosasa pahembe dzake.

Ndakaenda kukitchen ndokunotanga ndageza


kumeso ko waingova mufaro wega wega.

Pandakapedza kugeza kumeso ndakatora


munyati wangu ndokuti pfeee zvangu kupinda
mumba masifiso.
Ndichinopinda kudai ndakarohwa nehana
ndichiona imba iri empty.

Ko chiii changa chaitika nhaimi kuti atizazve


here? Kuti baba ava vaenda naye kuchikoro
haaa ndanga ndatove confused zvakanyanya?
Asi anenge atiza chete munhu uyu nekuti baba
ava varega kundiudza nekuti vanofunga kuti
ndinomuvenga uye handimudi pano.

Asi mazuvano ndanga ndoratidzawo kumuitira


zvakanaka wani.
Ummmmm apa zvino ndoita sei kuti ndizive
kwaananga chaiko ndofanira kuziva kwaaenda
nhasi chaiye anotamba munhu uyu .

Ndakazobuda mumba muya bp yashuta zvaive


zvoitika pano ndaive ndisisazvinzwisisi ini
ndakabva ndatobatwa nekamudumbu kaye
kekuvhunduka ndokumhanya kutoilet.

Ndakazobvako ndave bhoo ndokutanga


kufunga zvekuronda tsoka yaSifiso kuti yaive
yabuda nekupi ndikaona yaenda ndinobva
ndangosiyana nazvo nekuti anenge arova pasi.
Ko ndinenge ndichamudii iye azviendera ega
zvinenge zvandibvawo.

Ndakazama kutenderera kumapeto


kwechivanze asi handina kana kuona tsoka
yake ichibuda.

Ndakadzokera kunoronda ndichibva pakitchen


ndokuona kuti tsoka yake yainge yagumira
paive nemota saka zvaingova pachena kuti aive
akwita mumota.

Ndakaita kugara pasi nekupererwa uye


kurwadziwa haaa kana zvimusodzi
zvakatomboerera nguva iyoyo.
Kureva kuti baba ava vari kumborongei chaizvo
nemwana uyu, dai Brian aivepo ndingadei
ndakamubvunza zvino anga atomukirawo
kuchikoro kwake.

Ndakaramba ndakagara paya ko simba


rekusimuka ranga richabvepi haro chokwadi
ndanga ndaomeserwa.

Ndaizongomirira kudzoka kwavo kuchikoro


ndoona kuti vanodzoka naye here kana vasina
kudzoka naye taizotangira ipapo tichienda
mberi zverwendo rwuno vaizondiona chete.
Zvanga zvanyanya izvi kushungurudzwa
nemwana ane mukaka pamhino ndanga
ndakamudyira chiii chaizvo.

* Sifiso*

Ndakaisa hangu bag rangu mumota muya ko


ndaimbove nezvinhu zvakawanda here kunze
kwehembe dzangu nedzemwana. Monarch
rangu raive hombe zvekuti zvese zvaingokwana
imomo.

Haaa moyo waive usisipo guys handidi kunyepa


hamenowo zvandaive ndafungirwa nababa ava,
maybe ndaizonosiiwa mukati mesango hangu
aaaa ndaive ndongoti chauya chauya.

Upenyu hahudi kudaiso chokwadi


ndikangopunyuka apa ndapfidza handifi
ndakada kuona chinonzi murume padhuze neni
nekuti now ndakutambura ndega , munhu
wacho akakunhumburisa kana kumbokucheuka
zvake. Kanawo zuva rimwe chete zvaro
kumbobatawo mwana wake.

Ndakaona tave kusvika pachikoro ndikangotiwo


hameno chauya chauya ko ndichagotyei kununa
ini ndakasasikwa kare chero zvazvaita hameno
ikoko.
Ndagara ndatove wenhamo ko ndingaita sei
ndepapi pandaizorambira pamba pevanhu kana
vasisandidipo.
Takasvika kudzimba dzematicha ndipo mota
yakamiswa zvikanzi " Mai Tawe burutsai bag
renyu munditevere naro.
Hana yangu yakatomborova nemufaro ndikati
zvimwe ndatsvakirwa basa remumba.
Ndakarova kamunamato ndichiti dai zvaingoita
sekudaro.

Ndakazotevera hangu mumba mavaive vapinda


ndokusviko noka.

Ndivo vakadaira vakati pinda mwanangu


ndakapinda hangu mumba muya iiiii manga
makarongedzwa zvakana ka fani.

Ndakanyara kusviko mirisana natezvara


ndokusviko gwadama hangu mufloor.

Vakazoti ( Mai Tawe ndimo mumba menyu umu


mamuchagara kubva nhasi, zvese zvirimo
ndezvenyu ndizvo muchashandisa).

Nzeve dzangu dzakaita kudzivira chaizvo


zvekuti ndakanzwa dzorira kuti wiiiiii kuita
fanika zviya zazvinoita kana pane ari kukunyeya
or kukutaura.
Ndakaita sendisina kunyatsonzwa nekuti
zvavakataura handina kumbogara ndafunga
kana kurota kuti zvaizofa zvakaitikawo
kwandiri.

Ndakazoti pave paya," Matiii baba" ?,apa ndaive


ndachiita kugara manje mufloor muya.

Vakazodzokorora kutaura zvakare zvavaiva


vambotaura. Ndakaita sendichabata denga
nemufaro, ndakaita kusvetuka ndichienda
mudenga kechi1 kana kumbonzwa kuti ndaive
ndakabereka mwana. Ndakadzoka kubva
mudenga muya ndichisviko gwadama pasi
ndakaita kuchiuchira ndichitenda tezvara vangu
ndakabva ndatoisa nemunato ndichivakumbirira
shuviro dzavo dzese kuti Mwari vadzizadzise.

Ndakafara guys kuti ndini here Sifiso ndave


kugara nemwana wangu tiri free pasina
anotishingurudza.

Regai muone zvenyu dai Mwari


vangochindivhura njere dzangu ndicho
chikumbiro changu chikuru ichocho .

Baba ava handifi ndavarasa murugare kana


munhamo ndichange ndinavo mukunyengetera
kwese kwandichaita vachava ivo chinhu
chekutanga kuvasuma kuna Mwari.
Vakazobuda havo vavasiya vataura kuti
(chigadzirai muende kuchikoro chasara kuti
ndiwane munhu achazopota achisara nemwana
uye muchange muchigara naye pano.)

Ndakati zvakai baba Mwari vakuitirei Zvakanaka


uye vawedzere makomborero ndinotenda
nechido chenyu chisina kana kukwaniswa
kuitwa nevabereki vangu .

Misodzi yakabva yotoda kuita manyawi asi


ndakabva ndavanza chiso kuti baba vasazviona.
Vakazobuda havo , ndakasara ndokutarisa
mumba muya hamuna chaisavamo guys zvese.
Even chikafu haaaa zvanga zvarongeka kani. Ko
iyo midziyo hauzomboda ndakatoshaya kuti
vaive vazvironga nguvai zvese izvi.

Ndakazosiya ndakiya mukova wangu ndoenda


zvangu kuchikoro nemwana wangu.

Ndaive hangu ndisina kunonoka saka


ndakaenda kuseri kweclass ndokunopa mwana
wangu mukaka.

Musaseka henyu kuti hakuna chikoro


chakadero chinodzidza munhu ane mwana
wake. Zvinenge zvisati zvaoma veduwe ,
ndinototenda head ivavo nekuti vakabvuma
kunzwisisa.

Bhero rakazorira ndokutanga hedu ma lesson,


muclass ndakatoshaya kwekuisa ziso nekuda
kwekutarirwa.

Handina kuda kuita hanya nazvo chinangwa


changu nechivavarirwa ndini ndaizviziva.

Nini moyo wangu waive pakudzidza nesimba


chete zvemamiriro ezvaive zvakaita zvinhu
handina kuda kumatarisa.

Nguva yebreak ndakamhanya kumba


kumbonogadzirira mwana porridge rake ko
sekuru vacho pane chavaive vasina kutenga
here zvese zvaive tiii half yacheeee.

Yave nguva ye lunch ndakaenda zvakare kumba


ndakadira drink ndokunwa hangu nema biscuits
aive atengwa ndaawande kana mwedzi
waisvika pakupera achingoripo.

Ndakazoti ndave kutobuda kudzokera


kuchikoro ndipo ndakazofunga kuti ko
zvandaguta ko nyakutenga haaa ndakazvishora
zvese nekuzvituka , ndakadzokera mumba
muya ko ndaive ndave kutoda kukiya door kkkk
kumwe kunyima kunonyadzisa shuwa kuda
kunyima munhu zvinhu zvaatengawo here
ndiudzeiwo kuti kukwana here?

Ndakadira drink ndokuisa mabiscuits muplate


ndokuenda nazvo kuoffice kwavo. Vanhu
vaingonditarisa ndaive nebasa nazvo ini.

Ndakasviko noka ndipo vakati come in,


ndokupinda hangu ndakasviko gadzika patable
ndokuvaswedza ndokuzoti inwai drink baba.

Vakatoseka zvavo vakati (inga hamunyime Mai


Tawe next time kana ndine nzara ndokuudzai.)
Ndave kutongodyira kuti handingaputsi chido
chenyu chamaita chikuru ndanga ndisina
hangu nzara. Mozotora henyu maplats enyu
kana mobva kuchikoro ndichizooneka
muzukuru wangu yoooo l will miss her veduwe
ndichatombobatika kwezvimazuva. Handina
kujaira kumushaya pedo neni.

Ndakazobuda hangu ndoenda kuchikoro, haaa


chikoro ndaichida guys kuita fanika ndaive
ndisina kumbobvira ndadzidza , hapana nyaya
yaindipa mufaro senyaya yechikoro.
*Baba Brian*

Nguva yekuchaisa ndokunanga zvangu


nekumashop ndaida kudarika ndichitenga
chikafu ndodya zvekumba kuya zvanga
zvongoita kuti ndinzwe kakutya chaiko .
Handina kunzwisisa zvakaitika nanheru
pasadza riya.

Ndaive ndisisavimbi nemunhu nekuti munhu


anokurasisa, zvaisaita futi kuti ndinodya
kumuroora nekuti vanoona havazozvitori
seizvozvo, unotozonzwa yave nyaya
yapindurudzwa vanhu votaura havo
nepavanoda.
Aaaa inoshandurudzwa nyaya ikamonyororwa
kusiiwa yave pavanoda chaipo.

Ndiko kusaka paandivigira lunch ndamuudza


kuti kana ndine nzara ndinomutaurira , hongu
dzimwe nguvawo ndaifanira kudya kuitira kuti
angazoti baba vandiramwa

Ndakazoenda hangu kumba ndakazvigutira


chaiko ane nzara aitova nani.

Ndakasvika semazuva ese ndokunanga


mubedroom kunozvirarira.
Ndakapinda hangu mumba muya ndokuwana
hezvo ko mbuya vaTawe vatova
mumagumbeze kare.

Ndakamboda kuvabvunza kuti kwakanaka here


kurara nguva dzino, asi ndakatoona kuti regai
ndivasiye vakadero ndingatozvidenhere kutaura
hangu ini ndichida kuzorora.

Ndakanzwa shasha yobvunza hanzi (ko mai


Tawe aripi inga chero hembe dzake dzese
hadzimo mumba.)

Ndakangopindura kuti handiziviwo


ndokutopinda mumachira nekutofuga zvangu
musoro ndaisatoda zvekunyaudziwa ini.
Kufuga musoro kwandakaita ndikati ndaidenha
mbuya iyaa. Kwakavaviwa kani veduwe apa
munhu achiita kundibaya baya mumusoro.

Ndakambotanga ndichida kuzviita safata


kunyarara , asi hasha dzangu dzakamutswa
nekubaiwa kwandaiitwa mumusoro.

Ndakatoshaya kuti ko munhu zvaari kundiita ari


kutembei chaizvo.

Pandakaona zvanyanya ndakamuudza kuti


wave kufarisa asi ahana kumira kundibaya baya.

Munhu aiita fanika munew one.


Paakazondibaya pahuma manje ndakangonzwa
zvichiti muka imboshandira munhu.

Ndanga ndisisina tsitsi guys ndanga ndapera


nehasha.

Ndakamuka ndikamurova nacho


chematsendga nzungu.

Ndakaona munhu achizvivhara kumeso nejira.


Ndikati wakajaidzwa handikusiyi wakadero

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E
💔💔
Her own decision

By Linda

0611169903

Chapter 15
*Mai Brian*

Ndakaswera ndakadumbigwa muswere wese


kana kubika chaiko ndakatadza.

Pfungwa dzangu dzakaswerero pishana kuti


kambe angave aenda kupi Sifiso kuti baba ava
vafungei naye, haaaa mhinduro chaiyo
yakakwana ndiyo yandaishaya.

Ndaizomirira kudzoka kwavo ndivo chete


vaikwanisa kupindura mibvunzo iyi nekuti
munhu uyu apedzesera tsoka dza dziri pamota,
kureva kuti akwira mumota.

Handina kana chandakagona kuita musi uyu


ndakatoswera ndave murwere chaiye kutoita
kupinda mumachira chaimo.

Brian akazodzoka ndokuwana pasina kana


chekuti aise mumuromo akauya mubedroom
mandaive ndokundiswedza.

Akabvunza kuti ko marara nguva dzino asi


marwara here?
Ndakangomupindura kuti ndikunzwa kuneta uye
kupera simba muviri wese.

Saka pari kudyiwei nhai mhama ndikunzwa


nzara ini. Akadaro uku muromo watonzi pfeee
mumhino.

Ipapo akabva atosimudza hasha dzangu ndaive


ndaswera ndichikangazhana nezvimwe iye
odazve kuwedzera BP yangu kukwira apa yaive
vagara yakatokwira nechakare.

Ndakamushura shura ndokubudawo


achipopota , ko aive asina maoko here ekubika.
Kwakasvika pakudoka ndakangorara uyu Brian
ahana kana kunoenda kukitchen kunobika
nekuti ndakamunzwa achizvi zhamurirawo
muroom make.

Ndofunga ahana kuona kuti Sifiso atuta zvekuti


dai akazviona angadai akandibvunza.

Kurara aitomirira kudzoka kwasifiso kuchikoro


kuti agozobikazve.

Kwakazoti kwatoti zvaaa kusviba ndipo


ndakanzwa kudhuma ndikazviziva kuti
kwadzokewa.

Ndakanyatsomisa nzeve kuti ndinzwe kuti chiii


chaitora nzvimbo.

Ndakangonzwa door rimwe chete remota


kuvhurwa nekuvharwa ndikatoziva kuti Sifiso
aisavepo. Ndakanzwa zibundu kuita kugara
pamoyo pangu chaipo ziya ndokuteuka.

Baba Brian vakazosara vopinda ndatovagaira


hora chaiyo nhasi vanondiona. And hapana
zvavanombondiita nekuti vakadya sadza riya
saka atori munhu wangu ndongoita zvandada
kana kutaura zvandada hapana
zvaanombondiita.

Ndaive ndazviona makuseni kuti mupfuhwira


wangu wanga wakutoshanda nekuti kumuka
chaiko ndakarambidzwa.

Vachingopinda chete ndaive ndatovagadzirira


mashoko nekuti zvaive pachena kuti Sifiso
ahana kudzoka.

Ndakavaswedza kuitawo zvitsika kuti ndiwane


kutanga nyaya yangu.

Ndakabvunza munhu kwava kutonditi handizivi


asi ariiye aenda naye haaaa ndakanzwa hasha
dzangu dzese dzichiuya ndokutanga kuvava
ndichivabaya baya musoro.
Ndaidaka kunzwa kuti vamuisepi ko zvimwe
zvinhu hazvisika zvekuti unganyarara, murume
anoenda sekutamba aaaaa Sifiso aisagona
kuramba uya vabereki vake vanga vasina
kumudzidzisa tsika.

Ndakavarairwa ndakangoona baba vaya kuti


humuchu kumuka kuti vanonditi icho
chibhakera ,ndobva ndafuga musoro
ndakanzwa chisina kundimhara ndikati kuda
zvapera.

Ndakafuga musoro kudero ndikanzwa icho


chematsenga nzungu chaicho kumeso
ummmmm chero vanhu mozogara zivai kuti
baba Brian aive neutsinye nekuti chibhakera
chaakandirova pamhino hachisi chekurova
munhukadzi chaitodawo umwe murume.

Pandakangochipihwa ropa rakabva ratotanga


kubuda zvekuti ndakaimwatsura mhere
ndakatonzwa kuita fanika mhino yangu
yanamanurwa . Ndichiiridza mhere kudaro
ndipo vakatanga kubvisa bhande hanzi
unopfidza chete ndinoda kukupedza upenzi
hose ihoho.

Weduwe ndakashandiwa chemusi uyu chero


ndorohwa handisati ndamborohwa zvakadaro .

Hapana pavaive vasingasvitsi bhandi ravo apa


raive rine chisimbi and ndiko vaorova nako
kuchisimbi.
Kana kuri kumeso veduweka ndaizama kuvhika
asi zvaisabatsira chinhu.

Ndakazoregwa ndasiti rabada manje.


Ummmmm muviri wese waive waibva handina
kumboona zvakadero veduwe hapana paive
pachiri papenyu kunze kwenzvimbo
dzakavharika chete dzaisasvika bhandi.

Apa ndaive ndatosiiwa ndiri murwere chaiye


kana kumuka chaiko ndaisagona.

Zvino ndipo ndingamuchenesa here Sifiso


chero ndimiwo ko ndikaurawa nekurohwa
anofaraka.

Uyu mwana ndamutadza kuita fanika ane


mushonga chaiwo.
Ummmm izvi zvinoda ndimbonyatsotora nguva
yangu kuti ndione kuti chii chaizvo
chikumboitika.Iyezvino nekwaari handikuzivi
zvakaoma kani zvotoreva kuti pano ndagarira
guyo sembwa.

Apa ndikuti munhu ndamugona zvaakadya


sadza riya zuro apa ndipo ndorakashwa too bad
haaaa veduweka nhamo neman'a hazvisiyani
shuwa.

But marovero acho ndeekutoda kundiuraya


chaiko zvino chero chekudya chaicho ndiani
achandibikira nekundipa, zvandisiri kugona
kana kufamba chaiko.

Ummmm rimwe zuva ndogona kungomuka


ndakaurawa regai ndifonere hanzvadzi dzangu
vauye nyaya izotaurwa iyi nekuti koyoenda
handichakuzivo.

Ndakasvosvovera fon yangu ndokufonera


hanzvadzi yangu yenumber 2 haaa uyo
ndaimuziva aizvivavira kwete zvekutamba.
Muhombe aive akangopora pora saka ndaiziva
kuti ndikaudza iye anongoti gadzirisanai ndizvo
zvinoita dzimba. Zvino ini ndizvo ndaisada
zvangu izvozvo nekuti baba ava vanga
vazoenderera manje.

Hanzvadzi yangu yakavava kani pafon hanzi


ndinosvikako mangwana chaiye mukwasha ave
kuda kutijairira manje.

Paakadaro ndakatonzwa moyo wangu kuti


nyevenukei at least zvanga zvave nani.
Ukawanawo anoenda kuside kwako
hauzonyanyi kurwadziwa asi vanhu vese
vakakushora ummmm chokwadi unorwadziwa.

Ko iko kumuka makuseni kana kumboita hanya


neni apa munhu achiziva kuti akandisakadza.
Kana kumbosiyawo andipa chikafu ukuwo Brian
angomukawo achienda kuchikoro nenzara
hanzi pano hapagarike ndinoda kubva musare
muri vaviri hezvo mwana wevanhu aripi. Kuda
kutipa basa futi ikoku mhama handizivi kuti
moyo wenyu wakaita sei? Hamugoni kana
kuzvidzora semunhu mukuru iye zvino
tinotonyara kufamba muraini vanhu
vachingotaura zvavanoda pamusoro
pezvamunoita mwana wevanhu pano.

Ndakatoshaya kuti mwana uyu kwaive


kudherera here kana kuti kwaiva kushaya
rukudzo chaiko. Ndipo ndakaona kuti
ndakabhaiza
, Dai ndisina kumbobvira ndapa mwana wangu
mushonga wekubvisa nhumbu.

Handina kuda kuswera ndichipindurana naye


nekuti muviri wangu wese wairwadza.
Akazobuda kuenda kuchikoro kana
kumbondibvunzawo kuti chii chakaitika ndipo
unoona kuti vana vechikomana vane moyo
dombo chaiwo. Ndatanga kufunga nyaya yaive
yaitika pamwana sikana wangu ummmmm
zvakaoma hazvo long story chaiyo
Hazvaimboita kuti Sifiso apagare pano nadha
wangu anotanga amuka akapafamba apo kuti
dhana dhana chaiko apo handidzori tsvimbo
chero ndikanzi muroi hameno ikoko. Ini
chinangwa changu nechivavarirwa ndochiziva
nemoyo wangu.

Brian aive akatodza baba vake chaivo aisava


netsitsi namai vake.

Kurwadza kwaiita nyama dzangu


kwakatomboda kundifungisa kuenda kupolice
kunomuripotera murume mukuru asinganyari.

Asi ndakazofungazve kuti mwana wangu


anogona kunyura nekuti zvaizovhukunyura
nyaya iya yainge yangotsikwa tsikwa ikanzi
inotongwa kwasabhuku kana kuti kwashe.

Ndakazosiyana nepfungwa iyo nekuti yaisave


nechayaibatsira zvinhu zvaitozowedzera kuipa.

Saka ndaive ndongomirira kuuya kwehanzvadzi


yangu ndiye aizopedza masports ese ababa
ivava vaida kuzviitisa.

*Brian*
Ndakabva hangu kuchikoro ndakatotemba kuti
ndonosvikodya sadza, ndaizviva kuti Sifiso
ndiye anotanga kudzoka kuchikoro namudhara
sezvo vaishandisa mota zvaiita kuti vakasike
kusvika.

Ndaigaya hangu ndirimo munzira kuti kandi


mudhara vakazvifunga sei zvekuti Sifiso
adzokere kuchikoro.

Zvino nemakwapaidziro anoita mwana uya


chikoro chokwadi tichazoshainirwa zvedu
taifunga kuti tisu tine chimuti.

Yaaaa mudhara vanonamata veduwe vangani


vana tezvara vanoitira varoora vavo zvakadero.
Haaaa ndatya naye mudhara wangu regai
pfuma yavo ichingowanda chokwadi Mwari ane
chekuita nemoyo wavo. Ini nyakumitisa pano
handisati kana ndambobata mwana wacho
anonzi wangu asi namudhara
zvinotosekererana kureva kuti ave kutovaziva
sekuru vake.

But chimwana chacho chakafanana neni wena


chero dai ndakada kuti nhumbu haisi yangu
kwaitova kuda kuzvisekesa nevanhu nekuti
zvaingotaura zvega.

Ndakasvika ndokuwana pasina kana chabikwa


mukitchen manga makatodzima zvamo.
Kana saini yekuti mamboveswa moto
ndakaenda mubedroom kwamhama vaive
vakatorara zvavo . Kuita kwamhama
kwaibhowawo dzimwe nguva saka chaive
chavatadzisa kubika chii . Chero ndimiwo
munoiziva nzara yekuchikoro.
Ndakavabvunza kuti nemhaka yei pasina
chekudya vakatopindura havo kut vaisanzwa
mushe asi face yavo yairatidza kuve munhu boe
zvkt.

Ndakabuda ndokunorara nekuti mudhara


nasifiso vanga vasati vasvika.

Pasina nguva yakareba mudhara vakabva


vangopindira asi Sifiso anga asipo nekuti
pakapinda mudhara mubedroom ndakabva
ndangobudawo kuenda mukitchen ndaida
kunomuudza kuti abike fast nekuti ndaitonzwa
nzara isingaiti.
Ndakaona door rakavharwa saka ndakati regai
ndipinde ndimirire kudzoka kwake
ndakatofunga kuti apinda muroom make.

Ndagara hangu pabench chifunga kuti munhu


achauya asi handina kuona munhu.

Ndakazobuda kuti ndimuendere kuroom yake


ikoko aibatei vamwe tichida kufa nenzara.

Sifiso anga oda kujairira vanhu zvino aive


otofunga kuti kuendeswa kuchikoro ave mwana
wepano here manje nhasi airasa nenzara
yandiri kunzwa mirai zvenyu muona.
Ndanganosviko ita door zviya zvimutsimba
ndobva rangoti mberengende kuvhurika .
Ndakarohwa nehana kuona Sifiso nemwana
wake vasimo.

And zvaakoma shuwa ko aive aendepi nhaimi


ndaida kumuudzisa chaiko. Ndakazoshsmisika
ndaona mumba muya musina kana hembe
dzake dzese zvadzo ndakabuda ndaitoda
kunobvunza mudhara ndivo vaitove neruzivo
panyaya iyo.

Ndichingobuda mumba muya ndakanzwa kuto


bhuu bhuuuuu buuuu kuita vanika mukupurwa
chibage.
Ndakabva ndangomira kuti ndinyatsonzwa ,
ndokunzwa kuti mumba maitorohwa munhu
umu.

Ummmmm mudhara vaivewo voda kuita chioko


chegudo chaicho.

Ndakanzwa moyo wangu kuenda kure


nemarohwerwo aiitwa mhamha.

Ndakazongoshinga hangu ndokupinda


muroom mangu nekuti kazhinji dzababa namai
hadzipindirwi.

Makuseni ndakakurumidza kumuka sezvo


ndaive ndaona kuti Sifiso aisavapo, hapana
aizomuka achivesa moto nekudziisa mvura
dzekugeza.

Mudhara vakazomuka zvavo patova paya,


ndakati ndiwo mukana wandaive ndatowana
wekubvunza kuti Sifiso aive aenda kupi.

Ivo ndivo vakatotanga kutaura...


Mudhara : Yaaaa ndiko kuti muzvione kuti
Mai Tawe anga akakosha pano hezvo nhasi
wamuka kuvesa moto munhu anosingowana
mvura yadziya, muchamudemba chete ndozviva
zvangu. Sewe aingova mawara chete asi
pabasa rese wanga wazorodzwa. Izvezvi
ndinoda kuti uende kugarden unoona kuti
kwakamira sei buda uende wozondiudza kuti
waona kuti kwamira sei?
Ipapo ndaitosundwa ndichiburitswa panze,
ndakatoshaya kuti mudhara vari kurevei
ndokuenda kugarden kwacho.
Ndakangoendawo ini asi ndaisaziva kuti
zvairevei, ndakasvika pagarden paya
ndokusviko mira hangu pamukova .

Ndakaita nguva ndiripo pamukova paya ndaive


ndotoyeverwa zvangu negreen yaiva mugarden
muya ummmm manga mune muriwo wakanaka
kuita mazishizha mazihombe ko iro domasi
ranga rotanga haro kubereka ummmm
maiyevedza kani.

Ndakatozovhundutswa ndonzwa mudhara


okwamatata kundisheedza ndipo ndakamhanya
ndichidzokera kumba.
Vakasviko bvunza kuti ko wasvika woitei
kunonoka kudzoka kudai,?

Ndakavaudza kuti ndanga ndiyeverwa negreen


iri mugarden, vakaseka zvekuti neni
ndakatoshaya kuti yava ipi iyi ko mudhara
vasekei kudai.
Vakazoti pava paya ndokuti pasina 2 weeks
ndinoda udzokere zvakare kugarden
wozondiudza kuti kwakamira sei
usazokanganwa.

Ndakatoshayawo kuti mudhara vaida


kumbozama kutii chaizvo, ndakatoona uri iwo
mukanwa wekubvunza kuti ko Sifiso aive
aendepi.
Nhai daddy ko mai Tawe wandisiri kuona kubva
zuro akaendepi?

Mudhara : Ave kugara kuchikoro .

Vakapindura havana kuda kuita nhoroondo


neniwo handina kuzowana amwe mashoko
ekuenda mberi ndakabva ndatonogeza
ndokutobuda kuenda kuchikoro. Kana mhamha
handina kumbonovabvunza kuti mamuka sei
pfungwa dzangu dzanga dzeve chamuhwiriri
kufunga kuti saka zvaanzi akugara kuchikoro
kureva kuti ari kugara nani ikoko.
Kungoti ndachifanira kubvunza mudhara asi
zvaisaita nekuti vaizoti ndinomubvunzirei ini
ndaisamuda.
Zvinhu zvacho so haa unotomboshaya kuti
zvinombofamba sei? Asi ndaifanira kuti
weekend ndinotarisa kuti Sifiso ari kugara nani
ikoko.

Ndinoda kutaimira mudhara vari paden ndipo


ndoenda kuchikoro ndoona kuti zvakamira sei?

*Baba Brian*

Mazuva aifamba aisamira ndakazonzwa


ndofonerwa neshamwari yangu iya yandaive
ndati anditsvakire munhu aida basa. Akafona
achiti aive amuwana saka ndakangomuudza
kuti ngaaite kuti auye kuchikoro apa aitori
masikati
Ndakaona kosvika mukadzi aiva asina zvake
kunyanya kukura asi airatidza kuva kuzvi 36
ikoko.

Ndakazotanga kutaura naye ndichibvunzurudza


zvese akati iye ainge akaroorwa ndokusiyiwa
nemurume achinoroora umwe mukadzi
ndokutogurisa muchato wavo akati iye ainge
ogara namai vake vaingewo vakura saka ndiko
aive asiya vana vake vatatu.

Ndakachimuudza zvandaida maererano


nekuchengeta muzukuru wangu and apo
ndaive ndisina kana fani zvangu.

Zvose zvandaiitira mai Tawe ndaiitira nekuda


kwemuzukuru wangu ndaisada akure
achitambura nini sekuru vake ndakakupuka,
ndaisada zvakare kuti akure asingazivi dzinza
rake uyu Brian ndaiona zvangu kuti pfungwa
dzaive dzichiri dzehuhwanana ndiko kusaka
ndaida kumuchengetedzera mudzimai wake
nemwana.

Zvese zvandaiti mave sisi nabhudhi ndaiziva


zvangu zvandaizviitira.
Ndaida Sifiso adzidze nesimba uyewo Brian
adzidzewo nesimba zvakare. Kwaitova
kugadzira ramangwana ravo nekuti hakuna
aizoita mufungo neumwe vaizozviona vakura
sezvo vose vaive vana vadiki.
Asi kana vakasazowirirana zvachose panenge
pasina hapo chakashata asi hupenyu
hwemuzukuru wangu hunenge hwakarongeka.
Ndakazoudza mukadzi uya zvese zvandaida
maererano nekuchengeta mwana and ndaitoda
kuti asiye mukaka saka ndaitoda care yakwana.
Ndakamuudza zvakare kuti akangoita any
mistake pamwana ndaimusungisa straight.

Ndakazomutora ndokuenda naye kumba


kwamai Tawe ndokunovaudza kuti mwana
achange achisara namai ava uye muchange
muchigara mese pano.

Kubva mangwana mai Tawe mobvisa mwana


pamukaka ndinoda musawana chinokuvhiringai
panyaya dzechikoro , uye mikaka yese
yemwana ndakatenga zvese neporidge racho.

Ndakaona mai Tawe zvimisodzi zvojenga


mumaziso ndikaziva kuti kwaive kusada kusiya
mwana wavo neumwe munhu uye kumurumura.

Aive ajaira chete kuti mwana wake anobatwa


naiye kana kuti neni zvino apa ndanga ndoita
fanika ndave kumuomesera asi kwete kwaitova
kuda kumurerutsira aizozviona pamberi apo
kana ajaira hake.

Ndakamuudza kuti usarwadziwe mai Tawe


hapana chambochinja apa zvandataura ndizvo
zvatovepo.

Handina kuda kuzoramba ndiripo paya nekuti


ndakaziva kuti ndikaona kushungurudzika
kwake zvinozondidyawo moyo.
Ndakazodzokera hangu kuchikoro ndokusiya
zviri zvese ndaiziva kuti zvinozojairana chete.

Nguva yekuchaisa yakakwana ndokuenda


zvangu kumba musi uyu handina kumboenda
nekumashop nekuti ndaida kunobikira munhu
uya wandaive ndasiya achikundikana. Brian
ainonoka kudzoka kuchikoro saka
ndaisamutemba.

Handina kuda kusvika ndichimbotambisa nguva


ndakatingosvikira pamapoto ndakarova faster
kubika ndokunopa murwere wangu apa munhu
aive akangorara . Ndipo paunotoona kuti
kumwe kutori kushandiswa nemweya wakaipa
chaiko.

Chaitadzisa kuti munhu amuke chiii nhaimi ko


ndaive ndamurova nedanda here kana kuti
ndakashandisa bhandi.

Ndakamuudza kuti muka udye sadza ukarega


hameno zvako unofa nenzara.
Ndakabuda ndokutonanga mukitchen
kunodyawo , raBrian ndakasiya mupoto
aizopakura ega paanosvika.

Ndichingopedza kudya ndakanzwa tisvikewo


nevoice rechirume asi ndakabva ndangoriziva
ndokudaira ndichitobudawo panze.
Follow this link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision

By Linda aka Mai Peace

0611169903

Chapter 16
*Sifiso*

Dzimwe nguva hupenyu hunombooma asi


Mwari kana vada kukurangarira zvinongoita
sekutamba. Zvekuti wega unotombofunga kuti
kurota here kana kuti ndizvo zvavepo.

Ndizvo ndaifunga hangu rimwe zuva ndiri


muclass . Kwandiri moyo nepfungwa zvainge
zvakanyura mukati memufaro wega wega asi
kune vamwe vana vepachikoro pandaidzidza
zvaitoita fanika mafunnies nekuti vamwe kana
muri semuclass mandaive, vazhinji
vaitorasikirwa nezvidzidzo zvavo nekuda
kwekuti meso avo nepfungwa dzavo zvaisabva
pandiri.

Ipapo ndipo ndaidaidzira kuti dira rizare apa


ndinenge ndichitoreva hangu kuti mumoyo
mangu nemupfungwa ndaitodeedzera kuti
pamberi nedzidzo. Nguva iyi yanga
yakandikoshera zvekuti ndaisada kana
kurasikirwa neword rimwe chete zvaro rinenge
rataurwa nemudzudzisi.

Ndizvo chaizvo zvaiitika , mwana wangu kuita


fanika aiziva nguva yatiri kuti nditi ndiMwari
here kana chii ndakatozvishaya ,
aisambochema kana tiri pakati pezvidzidzo,
zvinova zvinhu zvaindifadza zvikuru .
Sekuru vake vaive vatigonera pasi nekudenga
mumoyo mangu ndakatanga kuvaona saivo
vaive mai nababa vangu zvese zvangu
paupenyu.

Ndakazviudza kuti ndaifanira kushingirira nekuti


vakuru vakati chirere chigokurerawo saka
ndaifanira kuzovarangarira mukurarama kana
zvichinge zvazondiitirawo.

Ndakazoti umwe musi ndaenda kumba


semazuva ese kunodya hangu nemwana .

Ndakaona sekuru vaTawe vouya


vakadungamidzana neumwe mukadzi
ndakangotiwo hameno kuti ndiani. Vakasvika
havo ndokukwazisana, ndakazonzwa sekuru
vaTawe voti ndiye achange achisara nemwana
ini ndichienda kuchikoro.
Misodzi yangu yakatanga kutobuda guys nekuti
ndaisada kusiira umwe munhu mwana wangu
kunze kwaivo sekuru vake chete.

Haaaa izvo maya ndaisaita handidi


kukunyeperai nekuti ndaisavimba nemunhu
pamwana wangu. Ko kana vakatengwa
nevavengi vangu mwana wangu akakuvadzwa
ndaizoziva sei?

Handina hangu kuzviramba semunhu aive aita


chido vaigona kuzondishora ndikaramba munhu
wekugara naye. Asi kutaura chokwadi vanga
vandiomesera ndaisa truster munhu ini.

Ko akasara akaisirwa poison muchikafu


taizoziva sei? Ndaiti nhamo yapera asi
ndakaona seyaive yadzoka yave hombe chaiyo
nekuda kwamai ava vaive vauyiwa navo.

Chero kuchinzi munhu unongwara muhupenyu


ungangwarire sei munhu waunogara naye uye
anokubikira apa paive poda trust kwete
kungwara. Nekuti kuvimba chinhu chakosha futi
kunaMwari.

Ndakazviudza kuti ndaizozama nepandigona


napo kuti tisasangane nechakaipa.
Hongu ini pachangu ndaisakunda asi zvainge
zvoda Mwari. Pfungwa dzekupota ndichienda
kuchurch dzakabva dzangondishanyira nguva
iyoyo. Ndakazviudza kuti ndaizoenda kunomata
kuchurch yaivepo pachikoro yeAFM.
Ndaiziva kuti ndikamira naMwari aizondibatsira
nezano kana kurerutsa zvinenge zvichirema.

Ndakangozviudza kuti mwana wangu handisiyi


ndinoenda naye ndoda kuona kuti mai ivava
vavingei pano nekuti wangu mwana
toparadzana akura not iyezvino kumusiira
umwe munhu nemavedio atinomboona vana
vachishungurudzwa haaaa kana nadha
ndaramba.

Nguva yekupera kwelunch yakasvika


ndakabereka mwana wangu ndokutodzokera
hangu kuchikoro kuya, vaya mai vakasara
vakangoti kwaba kundiyeva chienda nemwana
wangu.
Ndaisada hangu zvemiedzo plus zvekutaura
chaizvo zvaindinetsa.

Takadzidza semazuva ese ndokuchaisa hedu


ndakawana mhama vaya vabika nekusuka
vakaisa chikafu uyu muplat yake yake asi
ndakavamisa vasati vambopedza kupakura
ndikati isai chikafu mu1 plat sadza muplat yaro
husavi muplat yaho ndiko kuti sadza rinake
tinokore pamwe chete.

Vakaita havo saizvozvo saka vaive voda kuisira


mwana pake ndikati kwete ingoisai pamwe
chete.

Vakaita sekudaro ndokugara todya hedu sadza


redu remwana ndakazotora ndiro
ndokurinokora mune redu riya ndaizomupa
tapedza kudya ndizvo ndaive ndakamudzidzisa
izvozvo anodya vakuru vapedza.

Takazoti pakurara ivo vakarambisisa kurara


pabed ndakazama kuvanyegetedza asi
vakarambisisa.

Takazorara hedu tichiita nyaya takanga


tichakurukura dzimwe pedzesire vave
kundiudza nhamo dzavo dzese ummm
zvaisiririsa ini hangu handina kuda kuti vazive
mamiriro ehupenyu hwangu nekuti
ndaisazviziva kuti zvaizogumira muhana mavo
chete here? Handiti munoziva kuti hanzi
tsindidzo haigari muhana imwe chete saka
munhu uchibva mukumuudza nhamo yako nayo
kuvanhu kunorudunura zvose sebhobhiri
reshinga.

Yangu nhamo ndeyangu nemoyo wangu kwete


kuti ndichawana wekuchemera bodo
ndinongoudza Mwari chete. Nekuti
ndakazviona paya pandaive ndairudunura kuna
mai vaya ndichiti ndoenda kubasa asi
ndakangokukona madhongi achikuma.
Saka hazvibatsiri kungotaura nekuti Mwari
ndivo vane makwara edu tose.

Ndakamuka makuseni kugadzira zvekuchikoro


mhama vaya vakati kwete mwanangu rega
ndikuitire asi ndakaramba zvaizoita here
kushandisa zero ramai vangu ndakarara ndichiti
mushandi wangu. Chero Mwari chaivo
havazvide zvinofuma zvakakupandukira
mangwana ukatozoti mavara azare vhu.

Ndakavaudza mune zvakanaka kuti


tinobatsirana basa kwete kuti vaite basa ini
ndakagara zvaisaratidza hunhu uye rukudzo
plus ndiri munhu wechikadzi ichasvika nguva
yekuti ndichadowo kuzoroorwa ndinenge
ndichinoshandirwa nani kwavamwe.

Ndakazopedza hangu zvekugadzira


zvekuchikoro ndokuenda nemwana wangu.

Mazuva aifamba and Tawedzerwa anga


ajairana namoms vaya zvakanyanya nekuti vaiti
pandinenge ndiri pamba ndivo vanenge vanaye.
Ndakatanga ndichinzwa kutyira mwana wangu
asi ndakazoona kuti kufungira ipfumo kuna
Mwari . Ndini ndanga ndotozviomesera nekuti
mwana namai ava zvanga zvowirirana . Kazhinji
vanga vorara naye zvekuti vaingozondipa kana
ochema ndomuyamwisa.

Zvaive zvataurwa nasekuru vacho


zvekumubvisa pamukaka handina kuda
kumbozviita ini ndaitya kt mwana wangu
aizondinetsa kuchikoro.

Ndakazongoona kuti better dzimwe nguva


ndipote ndichimusiya nekuti ndaiona kuti vaiva
nerudo chairwo. Hameno haungaziviri munhu
hako ndakangoti Mwari ndimi munochengeta
ndokumusiya musi wekutanga .

Ndakadzoka kana kumbochema zvake


kutowana achitotamba zvake ko handiti aive
okambaira here?

Wanga watove muchokocho kumusiya


ndaisamboona kana problem nekuti kazhinji
anga otoramba ini achida gogo vake. Kkkk
ndanga ndave kutovatora samai vangu ini
nekuti vanga vane rudo rwamai chairwo.

Mwana akapedzesera chero usiku asisamukiri


zamu nekuti vaiti akachema vomugadzirira
mukaka wake apa ini ndinenge ndakafa nehope
nekuti ndairara late nekuverenga.

Apo ndaisadzora tsvimbo panyaya dzechikoro


ndaimira mira.
Ndaifanira kushinga veduwe nekut
kungotambisa mukana iwoyu zvinenge
zvatodhakwa.

Ndakazopedzesera ndatoona kuti kurumura


kwaitove better nekuti kazhinji mwana anga
asisanwi mukaka wangu. Mom vaya vaigona
kuchengeta mwana handidi hangu kunyepa
kana ini ndaitosara pasi and vanga vane
timetable yavo yekupa mwana chikafu and
vaitoziva kuti nenguva dzakati mwana anofanira
kudya chakati nenguva dzakati opihwa chimwe
vaisadzokorora mwana chikafu chaambodya
kunze kwemukaka chete.

Ahana hake kunetsa kurumura, kana mazamu


ahana kumbonyanya kuzvimba.

Ndaive ndodzokera pakuva Sifiso uya


wamaiziva aiti kana apfeka uniform kuback
kwaiita sekune macabbage. Haaa ndanga
ndabatana veduwe zvekuti zvanga zvoda
kundiparira zvakare kana ari saBrian anga
asisabvi kuchikoro kwedu dzimwe nguva
aitonanga ikoko achibva kuchikoro.

Aive oda kuzama kuda kubata mwana but


mwana wacho airamba kuti bheee chaiko.
Mhamha vaigaro taura kuti ko ndiani iyeyu
akafanana nemwana kudai? Ndaingoseka
zvangu ndoti ibrother yangu vaibva vati
ummmmm mwana kukafanana kumusha
kwamai kudai?

Kana iye Brian wacho ndaingomuti mukoma


handiti baba vake vanga vataura here kuti tave
hanzvadzi nehanzvadzi kana iyewo ainditi sister
zvekuti hapana aimbofunga kuti
takambomitisana. But pamwana manje ndipo
paimboda kuti vanhu vanyumwe asi
vaizodzikama vanzwa kusheedzana kwataiita.

Ndakazvitenda kuti dai Brian akaramba akadaro


ndinoona fanika zvaizofamba mushe.

*Mai Brian*

Ndaive ndoziya nenzara vanhu ava kungomuka


vese vachienda kuzvikoro kana
kumbondicheukawo kuti kune munhu ari
kurwara.
Ndakatora fon ndokufonera hanzvadzi yangu
zvakare ndaida kunzwa kuti atokwira here bhazi
akati aizokwira Kuma 10 kureva kuti aizosvika
hake kuno kumazuva rodoka zvino aiwana
ndatofa nenzara.

Upenyu hunombooma veduwe hanzi chaikuda


kana chokusema zvinoita seshura chairo
hazvina hazvo mhosva Mwari chete ndivo
vaiziva .

Zuva rave kutoda kunodoka ndipo ndakanzwa


mota kudhumhira kure kure ko mweya waive
woendaka nenzara.

Ndakangoti mashura ko nhasi kwakurumidzwa


kudai zvaita sei?
Gare gare ndakazonzwa ndomutsirwa sadza
ndipo rangosiya ragadzikwa munhu
ndokutobuda. Ndakaona kuti ndikaita zvekuda
kunyengererwa ndogona kutofa nenzara .

Ndakasara ndokuzvishingisa kumuka paya


ndokunanavira sadza riya.
Ndaitoda kuti ndidye richadziya nekuti pahuro
paive pave nenguva yati kuti ndisina kumbodya
chinhu saka munongopaziva pahuro kuti kana
padaro potode maheu aya anodziya. Zvino
iniwo vamuvengwa vepano ndaimapihwa nani
ndakatomboita nguva yandakademba Sifiso
kuti dai aripo pasina zvose zvenzara izvi.
Zvisinei ndakachizotanga hangu
kuzvimanikidza kudya sadza riya richadziya
,apa ndaive ndongoitira kubata mweya wangu
chete.
Misuva miviri yekutanga zvaitova zvemutsimba
chaizvo, asi ndakazoti pane wetatu aaaa
zvanga zvotofamba chaiko.
Haaaa ndakazoritinhidza sadza riya rese zvaro
ko ndanga ndoziyaka ndakatosara ndichinzwa
kuda rimwe.

Ndakazviudza kuti baba ava avasi vekujairirwa


uchivajokonya jokonya uchipima zvimishonga
zvako chokwadi unourawa. Iyezvino ndoda
kumbogara ndiri ziii zvangu asi kuna Sifiso
ndichakuwana hangu.

Ndakazonwa mvura yandaive ndauyisirwa


yekugeza maoko, ko ndaive ndambomageza
here ndakangotimba ini nenzara yandaive
ndave nayo haizi yekuti ndaimbowana nguva
yekugeza maoko.

Ko ivo kuzondipawo sadza pasina kana mvura


yekunwa ndiudzeiwo chero imbwa inodirirwa
mvura wani musadza rayo.

Zvepano zvave zvekutongogarira iye mwana


wangu nairo guva reumwe wacho. Zvakaoma
shuwa kana ari Brian kana kumbocheuka zvake
kuti kunamai. Zvino ndiye mwana
wandingagarirawo here iyeyu kana kumboziva
zvake kuti kuna mai.

Kungoti hazvizoiti hazvo kunoduka pavaroora


dai vabereki vari vapenyu ndaizoenda hangu
nekuti pano zvinhu zvacho zviri kuwedzera
kuoma zuva rega rega.

Pasina nguva ndakazonzwa inzwi rehanzvadzi


yangu kuti tisvikewo ndakafara kani kuti kuda
baba ava vanombosiya vaudziswa vakaita
munhu kwaye.

Ndakazoona baba Brian vouya kundisheedza


kuti huya kwaita vaenzi.
Handina kuda kubvunza kuti vanani
ndakasimuka kuti nditevere , kusimuka kwacho
kwakaita basa kani muviri yese yairwadza but
ndakazvisningisa ndokuenda kukitchen kuya.

Ndichipinda musodzi yakatotanga kuda kubuda


manyawi ekuona mwana wababa vangu.
Semunhu mukuru ndakazozvishingisa
ndikaivhara kuti isabude.

Takazokwazisana nekubvunzana mufaro nyaya


yakazopinda mudariro nekuti hanzvadzi yangu
ahana kuda kumboswera achipoterera
akangoiti bvoo mudariro.

Zvikati zvatanga kukandidzana mibvunzo baba


Brian zvikati ndizvo vaida veduwe baba Brian
vakaita kundinakurira nyoka mhenyu kani kana
neni ndaive ndangoti tuzu ende vainyatsoti
bvunzai hanzvadzi yenyu iyi iri pano zvino ini
ndaive ndongoti roi roi meso ndoshaya kana
pekutangira nyaya yese yanga yanzi joooo
kwandiri. Hanzvadzi yangu yakazoti ko kurova
kunge mairova dhongi kudai makaona zviri izvo
zvakanaka here ?

Ipapo vakazokumbira zvavo ruregerero asi


vakazoti (ndokumbira muende nemunhu wenyu
nekuti ini handingabaiwi baiwi nemukadzi
ndonzi ndisarova saka ndofanira kuita sei?)

Ipapo hana yangu yakarova kuita


seichatsemuka kuendepi ndichisiya musha
wangu asi baba ava vave neumwe mukadzi
here zvovoda kundidzinga pano. Ukuwo bhudhi
vakabva vangorambira mudenga vakati ( ini
ndauya kuzokugadzirisai kwete kuzotora sisi.

BaBrian : Zvino ndinomuudza sei


zvaasinganzwi and mati asarohwe endai naye
kuda imi anonokutererai pano ndamutadza
ahaudzike.

Bhudhi pavakaona kuti yakora muto vakabva


vatosimuka vakati ) iwe Mai Brian terera
murume wako handidi kunzwa uchindifonera
futi uchitaura manyepo iye zvino wangoti tuzu
nyaya yose ndiwe uri wrong
ndaenda ini. )

Ndakashaya kana neremuromo shuwa munhu


abva rwenda rwakadero kudzokera asina kana
kuisa chinhu mumuromo apa vaifanira kurara.

BaBrian : Zvino haunyari mukadzi mukuru


kana hanzvadzi yako ichidzokera asina kana
kudya saka waive wamudanira kuzonditonga
here? Zvino hamuoni kuti kana kwenyu hakuna
anokuda pavangonzwa kuti ndoda kuti vaende
newe ndipo vatotiza ndiko kunonzi kutiza uku.
Zvino uchaendepi hama dzako hadzikude neni
pano handichakudi ndomudii munhu
asingateereri?

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her on decision

By Linda
0611169903

Chapter 17

*Baba Brian*

Nguva yandaishuvira iya yandaitsvaka yainge


yazosvika manje. Pandakanzwa riri inzwi
rehanzvadzi yamai Brian yanga yati tisvikewo.
Ndakafara zvekuti ndisati ndadaira
ndakatomborova kadance , ndokuzodaira
ndichibuda kunovachingura panze .
Ndakazopinda navo mumba ndokubvunzana
hedu mufaro, ndokutobuda kunodana
hanzvadzi yavo.

Ndakangosviko vaudza nekutodzokera


kukitchen kwandaive ndasiya tezvara.
Havanawo kuita nguva ndakaona munhu opinda
ndakaseka hangu nechemumoyo kuti ko mai iyi
ikutogona kufamba hayo ko yanga ichidii kubika
zvakaoma shuwa. Ko munhu ukaziya nenzara
uchizviitisa , ndopaunotoona kuti vamwe vanhu
havana kutombokwana shuwa.

Ko iro bhandi rakamborova munhu zvekuti


angatadza chero kuita chimwe chinhu here?

Zvino ndaive ndachimirira zvaitevera,


ndaitozviziva chete kuti tsano vaive vatoita
kudaidzwa chaiko hakusi kushanya asi kutoti
pane nyaya. Zvino ndaive ndakagadzirira zvese
asi ndaitoziva kuti zvangu zvaita ndanga
ndaneta ini kunetswa nemunhu asingashandisi
njere dzake.

Zvino rwendo runo vanotakurana voenda zvavo


ndoda kumbofema mweya kwawo ini.

Ndaive ndati zvandabisa mai Tawe pamba kuda


pamba pangachinja sezvo ari iye wavaisada
kuona zvino busy kubayana neni kumeso aizve
ko ndanga ndaipazve. Zvino ndazvitadzawo ini
ngavaende zvavo mai ava ndakabva kure
vachindishungurudza ndichiti zvimwe
vachachinja , izvo vanotowedzera kuenda mberi.
Hanzvadzi yacho dzungu paive pamusha
kufanana sisi, ndakatonzwa yatangwa nyaya
ndikati ndizvo ndanga ndakamirira.

Ndakachitanga manje kuvarondedzera hunhu


hwemwana wavo kubva ndichitanga kumuroora
. Ndaiita fanika ndaiverenga mubhuku chaimo
hapana chandakasiya.

Vanhu vepi vaitoda kunditonga pamusha pangu.


Hanzvadzi payakaona kuti sisi vacho ndivo
vanga vari wrong and ndaive ndataura kuti
ngavaende nemwana wavo. Ndakanzwa munhu
atooneka nekutobuda chaiko , zvaingova
pachena kuti vaisada kuenda nemwana wavo.

Iyi yanga yatova muedzo isina kundiso chaiyo


ndiudzeiwo kana ndimiwo makambozvionepi
kuti munhu anonzi enda nehama yako iye obva
atooneka nekutobuda ipapo ipapo. Haaaa
ndakaita kuya kunonzi kupererwa chaiko.
Munhu aisagarika naye uyu veduwe ndakabva
ndatodumbirwa nekuenda kwaive kwaita
brother yacho.

Ndakasimuka nehasha ndikati Mai Brian buda


izvezvi utevere bhudhi vako. Wanga uchiti
wangwaraka wandidaidzira bhudhi vako zvino
watizwa nehama yake ndini here?

"Buda izvezvi", ndaitotaura ndichimudhonzera


panze kuti atevere ndanga ndanetawo ini
ndaida kumbowanawo peace of mind.

Ndakamuburitsa panze ndokuti enda urongedze


zvinhu zvako zvese izvezvi ndinoda kunokusiya
pamba pehanzvadzi yako iyoyi.

Ndakaona mukadzi mukuru misodzi ichiita


kuchururuka mumaziso ichierera nematama.

Ndaisada kana zvetsitsi this time uyu munhu


aizopedzesera aita zvimwe zvinhu zvikuru
chaizvo.
Akatanga kuchema uku achikumbira ruregerero ,
haaaa moyo wangu wanga wasviba guys
ndanga ndisisadi zvekushungurudzwa pamba
pangu.

Ndakaramba rugerero rwake rwenhema rwekuti


ndikabvuma oramba achienderera mberi
nehunhu hwake.
Ndakangomuudza ipapo ipapo kuti ndinoda
kuwana wapedza kurongedza kose kanonzi
kako ndave kunogara mumba umo pandino
buda ndoda kuwana mabag ako ese ave panze
wouya zvakare muno mukitchen worongedza
zvinhu zvako zvese ndatopedza newe.

*Mai Brian*

Pandakangoona vapinda mumba baba Brian


ndakatoona kuti mutambo uya watsvuka ropa
zvino. Ndakagaya fast kuti zvino ndoita sei
pano, zvekuenda maya nevakadzi vehanzvadzi
dzangu taisambopirana nenyaya yekuti kana
ndasvikako hameno chavaindivengera,
ndaitobvako kazhinji tisisataudzani saka zvino
apa ndaizonosvika sei ini ndisina wandaitaura
naye kunze kwehanzvdzi dzangu chete.
Zvinodawo kuenda uchiziva kuti unodiwako
zvino zvangu uummmm .

Ndakatombozvibvunza kuti asi zvaive pai


chaizvo ummmmm ndakatotsvaka mhaka
yangu ndikaishaya raitova ropa rakaipa chairo
kungovengwa nemunhu wese ndiro rinonzi
jambwa chairo.

Ndaive ndangoti tumbi zvino pachivanze paya


ndapererwa nezano. Ndakanzwa inzwi rababa
Brian vachiti, "uchakamira ipapo asi uri kuti
ndiri kuita zvekuseka newe , ukada kuita
zvekutamba nepfungwa dzangu ndinoita hembe
dzako dzekukanda panze izvezvi"
Pandakanzwa izvozvo ndakamhanya
ndakananga mubedroom baba ivava ndaivaziva
kana vakagumbuka chokwadi
dzaizomwararidzwa chivanze chese nyika
ikaukera hayo.

Ndakasviko mira mumba muya ndokutanga


kuchema kuti chokwadi ndosiyawo musha
wanguwo here? Ndakazogaya rimwe zano
faster, ndakabuda ndokudongorera panze kuti
vaive vasati vadzokera mumba here?

Ndakaona kuti panze paive pasisina munhu


ndokubva ndabuda wendichiita kakunyahwaira
kuti vasandinzwe.
Ndakaita kumhanya zvakapfava zviya zvinoita
munhu kana achinyangira mhashu kuti aibate.

Ndaona kuti ndati pote ndipo ndakaivhura


speed iya yembwa chaiyo ndaida kukasira
kusvika uye kukasira kudzoka, kunze kwaive
kototanga kusviba.

Kwandaienda kwaisava kure zvakanyanya


semunhu aive nenyaya yake hombe handina
kunonoka kusvika ndakangopaita pedyo pedyo
nekuti ndakamhanya kuita chana chidiki
chaicho.

Ndakazoti tipindewo ndatove pamukova chaipo.


Ndakaona kuti vanhu vese vaive mumba
vakatoita kakuvhunduka chaiko, handina kana
kumboita basa nazvo nekuti ndaitovewo
nedzangu dzainditemesa musoro chandaida
kubatsirwa chete.

Vakazosara voti pindai ndatove mukati


nechakare. Ndakasviko gwadama zviya
zvinoita mwana kana atumwa upfu
hwekukodzeka sadza, apa anenge
achimhanyira kudzokera nehupfu kuti sadza
rinopedzeswa kubikwa.

Ndakamhoresa sabhuku ndakaita lucky kuwana


varipo nekuti ndivo ndaitoda zvese nemudzimai
wavo.

Ndakazomhoresa mudzimai wavo


ndokuzopinza nyaya yangu mudariro. Apa
ndaitaura ndichitochema kuti zvityiseka.

Handina kuda kuzviita mutsvene ndakavaudza


kuti zveshuwa ndaitadza mukusaziva saka
ndaikumbirawo kuti vanotaura nababa Brian
kuti vasandidzinga havo pamba nekuti ndaive
ndapfidza handaizozvipamhidza zvakare.

Vakamboda kuti vaizofuma vachiuya


mangwana asi ndakavakumbira kuti zvaisatoda
mangwana nekuti ndaive ndatonzi nditute
twangu twese usiku huno.

Ndakazotenda nekunzwisisa kwavo ndokubva


tatopinda munzira tese ivo sabhuku
nemudzimai wavo. Ndakanzwa moyo wangu
kuita better nekuti waiita fanika waive
muhovhoni ichangobatidzwa kuita kubvira moto
chaiko.

Pataive tosvika pamba ndakadzokera


kumashure sabhuku ndivo vakazotungamira
nekutoti tisvikewo sezvo tainge tatosvika.

Kukitchen kwaisave nemunhu kureva kuti baba


Brian vainge vatoenda kubedroom.

Ndakabva ndangoziva kuti vaitova bishi


kututunura hembe dzangu muwadrop.

Ndakaudza sabhuku kuti vaende ikoko


kubedroom vanonoti tisvikewo vari pamukova
vanobva vanzwika.
Ko ini kwanga kusisasvikiki kwanga kwazvarira
ingwe.
Sabhuku vakazobuda kuendako pasina nguva
takaona vouya vakadungamidzana.

Baba Brian : Ko wanga waenda kupi buda


unorongedza zvinhu zvako ndatozviisa
mulounge zvese enda unotutira mumabag
haikona kuda kundipedzera nguva yangu . Ziva
kuti ndinoda kudzoka ndichiwana nguva
yekurara, mangwana kubasa.
Haaa zvanga zvaoma kana kumbonyara kuti
mumba maive nanasabhuku nemudzimai wavo.

Ivo sabhuku ndivo vakazoti, "bodozve baba


Brian ndizvo ndatofambira pano hanzi apotera
atya. Uchitiona pano nemudzimai wangu uyu,
mudzimai wako ndiye auya kutiturira nyaya
yake unoti ndakatadzira murume wangu kubva
kare asi unoti ndinokumbirawo kuregererwa
handichazviiti futi."

BaBrian : Sabhuku munomuziva here


munhu wamuri kuda kumiririra uyu
munonyatsoziva here mabasa ake?

Sabhuku : Kure kwemeso nzeve dzinonzwa


hama yangu nyaya tinoiziva nechakare and
ndinoda kukutenda nemoyo wako pane
zvawakaitira muroora wako ndinoda
kungotenda uye kukuudza kuti uri murume.
Ndimi varume vanoverengwa imi kwete isu tisu
varume vaya vakadrawewa pamatoilets
tinongoswero tsva nezvavo tiripo.
Kana uchiri kuyeuka kwangu yakaitika nyaya
yakadero mose muno zviziva wani kuti mai ava
vekwangu vakamboonesa moto mwana
wevanhu kusvika asunga bag rake aenda hake.

Ko ini nekuswera kundari ndaimboziva here


zvaisara zvichiitika kumba. Ndakatozongonzwa
kuti vaishungurudza mwana wevanhu atoenda
kare ndakarwadziwa asi ndakapererwa nezano
nekuti anga atoenda .

Saka iwe ndakutya uri murume chaiye ramba


une moyo wako iwoyo denga rine nyasha
rinoona nerimwe remazuva Mwari vachakuitira
zvishamiso.
Ndinoda kuti uziva kuti Mwari anoona uye
anorwira iwe zvondokuudza pano handisi hangu
kukudzosera kumashure pane zvawanga
waronga asi ita uchicheuka kumashure. Hona
makabara mose namai ava better kuvapa havo
imwe punishment pane kuvadzinga pano
hazvikurudzirwe izvozvo. Asi dai wanga
wavabata nechikomba haaa apo ndaibatsira
kana neni kuvarongedzesa.

Sezvo vari ivo vati havachazviiti futi


chimbovapa umwe mukana.

BaBrian : Sabhuku ava mai ndinovaziva


havapfidze ava vanotodzokorora kuita zvinhu
zvavo and ndinotoona sekuti kuvarova
kwandaiita kwaive kutopambadza nguva nekuti
kurohwa chaiko havakunzwi.
Sabhuku : Ndapanzwa hangu asi
chingovaregerera kwazvino vakazopamhidza
unobva watidana tinozovabatsira kurongedza
twavo twese.

Ndinozviziva kuti shiri ine muririro wayo haisiyi


saka tinenge takavatarisa kuti vari kuita sei
tinoitira mangwana kana zvaipa saizvozvi
tozovayeuchidza kuti makamboti mapfidza
muchinyepa.

Baba Brian : Ndapanzwa sabhuku hanzi


mbudzi kubarira pavanhu hunzi nditandirwe
imbwa. Saka ndavaregera nekuti
handingarambi ndakaomesa musoro ini
ndavingwa nemi kudai hanzi munhu anodzorwa
nevanhu . Ini ndabvuma kundidzora kwamaita
asi mangwana zvikaitika futi ini handina
chandinotaura ndinongouya kwamuri sekutaura
kwenyu.

Sabhuku : Ndinotenda hangu nekunzwisisa


kwako bhururu Mwari vekudenga vakuitire
Zvakanaka une moyo wako wega. Imi mai Brian
mukadzokorora musarinya yenyu hameno isu
taenda. Zverwendo rwuno kana vane zvavaita
usarove zvako huya kwandiri ndini
ndinozovaperekedza negupuro ravo. Nekuti
kurova ungauraya kana kuremadza saka munhu
anoda kuendeswa kumusha kwake akanaka.

Vana sabhuku vakazooneka havo


ndokudzokera, ndakafara kani veduwe
ndakatoshaya kuti ndovatenda nei vanhu ava
vanga vandibvisa pakaoma chaipo.

Ndaifanira kuzoita plan mangwana chaiye


ndaizovapa mbudzi chaiyo kuti vadye zvavo
nemhuri yavo nekuti vanga vadzosa mufaro
wangu .

Baba Brian vakazongosiya vati utende zvako


sabhuku nhasi wainorara wave kumusha kwako,
vachibva vatobuda kuenda mubedroom.

*Brain*

Vakomana zvimwe zvinhu unotozodemba kuti


ko ndakaitei iwe unenge watoporonga kare.
Zvino zvandaive ndonzi bhudhi mukati
zvaizofamba mushe here?

Ndakatongoona kuti kutevedzera zvacho


zvaidiwa zvaitova nani nekuti zvaizoita kuti
ndiswedere pedyo naye. Ko mwana wacho anga
abatanaka kuita chibhora chaicho zvekuti wega
wakamutarisa idi rute rwaitodonha.

Ndakazviudza kuti uyu ndiye wandichafudza


semombe hakuna kana anosvika paari
zvamhamha zvekuti havamudi ndezvavo izvo.
Aizoda kumutora ndaifa naye chete. Zvaive
zvaita Sifiso ndezvekuti waiti ukawana
anokuudza kuti ko waiti haumudi wani nekuti
akachipa. Iyeye munhu ndaimuisa bakatwa
chairo nekuti ndaive ndisisadi kuzvinzwa.

But iye ndaisamuratidza ndaida kutanga


ndamurivadza zvekuti aite kunyekera chaiko
ndaida kuti andione semunhu ari boe chaizvo.

Kazhinji ndaingoti kana ndobva kuchikoro


ndonanga ikoko kana kudya chaiko ndaidya
ikoko. Ndaingosvika zvangu ndoti sister
mabikeiko ndikunzwa nzara iye aibva ati regai
ndikupei chikafu mudye mukoma. Paainditi
mukoma ndaiita kusvotwa chaiko zvekurevesa
but ndaisazviratidza kwaari hangu,
ndaingotsvira mumoyo.

Ndakazopedzesera ndakuti pamaweekend


ndaiswerako tichiita zvemabook yooo mukadzi
wangu panyaya dzechikoro aiziva zvaaita
vakomana.

Ndakatenda mudhara papfungwa yavo


yekumudzosera kuschool.

Handidi kumukasikira ndinoda kumbomurega


kusvika anyora form 4 ndobva ndamuvhiringa
zvangu ipapo ndinobva ndamutora ndinoziva
kuti neni ndinenge ndave kusevenza ndobva
ndamutora chikoro ndini ndinozomupedzesesa
ndave naye.

Ndaitomaker shuwa kuti zuva rega rega


ndaendako kumbonodongorera mhuri yangu.

Ndakazokumbira mudhara kuti vanditengere


bycyle ndaida kuti ndifambe nyore ndisanonoke
kusvika zvaizondiitira nyore pakufamba apa.

Zvimaticha zvepachikoro pavo ndizvo zvaive


zvoda kundibowa, waingonzwa tezvara todawo
hanzvadzi yenyu ndaibva ndangovaudza
mukuseka kuti apa ndinodzika munhu demo.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision

By Linda Mai Peace

0611169903

Chapter 18
*Sifiso*

Maitiro aive oita Brian ndanga ndisisamafariri


ini. Zvimwe zvese aive boe zvokuti asi pane
kamwe karuchengera kandaiona maari.

Zvino izvozvo ndizvo ndaisada ndaizvizivira


ndega, handiti aive anditi ndakachipa saka
aifanira kusandichengera nekuchipa kwangu.
Zvino rwendo runo kana ane amwe mafungiro
ndipo achaona hake kuti Sifiso ahana kuchipa
hwaive hwanana chete. Now ndakura and ndave
kuziva nhamo uye kuziva chakaka nechakaipa.

Mazuva aifamba iye aive asisambojambi kuuya


kumba kwedu kana sadza aidya kumba kwedu
handifungi kuti kumba kwavo aimbodya ini.
Chikafu chega chega chatadya taive tave
kutomusiira and taitobika tichiziva kuti kuna
Brian.

Mazuva aifamba mwana wangu aive oenda


kuscale nagogo vake.

Regai vakuru vakati kufungira ipfumo kuna


Mwari zvandaifunga hazvisi izvo zvakazoitika
ndini ndaitofungira munhu zvaasingati mai
vaive nemoyo wakanaka havo ivavo.

Mazuva mazhinji taiita nyaya asi munyaya


dzavo zhinji dzacho yaingova dzidziso chete.

Vaindishingisa uye kundiraira,


ndakatozopedzesera ndega ndaona kuti zvaive
nani kuti vatore mwana wavo aive ne6 years
ndiye aiva mudiki.
Zvakakosha kuti mwana akure achiwana rudo
rwamai vake sezvo paive hapo pasina chakaipa
kana vakanomutora.
Asi ndaida kutanga ndambonzwa kuna sekuru
vaTawe kuti vaizotii zvaisaita kuti tiite
zvemusoro wedu ivo vaiva ivo muchengeti
wedu.

Ndakazovaudza vakati paive pasina chakashata


as long asingazoshungurudzi muzukuru wangu
chete nekuti mai vake havachina mukana naye
nekuti vari pabasa. Saka moudzana ikoko kuti
zvekuzokoshesa mwana wavo kwete vakavinga
kuzorera muzukuru wangu handidi kuzotaura
mai Tawe pamberi apo zvinhu zvachinja.

Ndichanetsana newe ndikangoona zvinhu


zvachinja nekuti ndiwe wauya nenyaya yacho.
Ndakazoti ehoi baba asi vanga vandiomesera
ndaizopaita sei zvaizoita here kuti ndiudze
mhamha zvese zvainge zvataurwa nasekuru
vaTawe.
Asi zvaiita kuitira mangwana vagare vachiziva
kuti vakangoita mistake chete raibva rapera
Basa.

Ndakazovataurira kuti sekuru vaTawe vaive vati


ngavaunze zvavo mwana wavo asi vaifanira
kuziva kuti vakavinga kuzorera Tawe ipapo
ndakavakomekedza kuti vapangwarire.
Ndakazovaudza kuti vaifanira kutanga
vatsvakira mwana nzvimbo vozoenda havo
kunomutora kana vawana nzvimbo.
Vakaita seizvozvo mwana ndokuwana nzvimbo
hazvina hazvo kuvanetsa sezvo sekuru vaTawe
vaiva ivo headmaster.
Vakazonotora mwana wavo iri weekend ini
ndokusara naTawe wangu , ivo vakati
vaizodzoka havo kumazuva rodoka.

Zuva risina kana nekumbokwira kwese Brian


anga atosvika kare ndakatoshaya kuti ko
aizviitirei chero ivo mai vake vaimurega mazuva
ese vaiti arikuendepi.
Maybe aiwana hake simba nekuti aiziva kuti
zvese zvaiitwa nababa vake saka chero neni
ndaivewo ndisina simba rekumubvunza. Zvanga
zvakatooma kani ko ivo sekuru vaTawe
vaisamuona hre ko vaidii kumutsiurawo?

Apa anga ogara akamakana nematicha aisada


kana kuona ndichitaura nevanhu vechirume
kana ndimi wo ndiudzeiwo kuti pane munhu
anorambidzwa here kutaura nevanhu.
Aisabuda pachena kuti ahadi kuti nditaure
nevanhu asi waingoona mamoods achinja
wotoziva zvazvaireva.

Musi uyu akatosviko bvunza kuti ko mbuya


vaTawe vaendepiko nhasi zvamuna Tawe.

Ndakamuudza zvaivepo ahana hake zvizhinji


zvaakataura akatora mwana
ndokutanga.kutamba naye . Apa vaive
vatojairana mwana akambotanga achiramba
asi akazopedzesera ajaira nekuti Brian wacho
aigara achiuya .

Ndakazobowekana paaitaura nemwana hanzi iti


daddy apa mwana aive ave ne6 month aiudzwa
izvozvo , chimwana chacho chigot iwo
kusekerera.

Ndakazomuudza kuti shaa zvawave kuudza


mwana handizvidi.

Kkkk ndikati ndazviparira munhu kutozvimba


bhibho hanzi saka ane vamwe baba here
mwana uyu . Kana varipo ndiudze hako nekuti
nini ndoziva kuti mwana ndewangu unoda
kundikanginisira mwana saka unoda akure
asingazivi kuti ndiri baba vake. Saka kana ane
vamwe baba taura ndiudze uzvezvi ndizive."

Aizve ko yaive yatokora muto inga Brian aitova


nemhepo chaiyo.

Ndakazomubvunza kuti zvabvepi nhai Brian


zvekuti uri baba vake zvine basa rei chero
akazozviziva ave kuroorwa.

Ndaive ndabowekana ndaitoda kumufinhura


chaiko anga oda kuenderera Brian.

Brian : Watii Sifiso dzokorora futi mashoko


ako mwana wangu uri kuda kumupa ani
zvaunoda kuti azondiziva ave kuroorwa saka
iyezvino baba vake ndiani kana ini
ndichirambidzwa kumuudza kuti ndiri daddy
vake?

Me : Mwana waMwari Brian usazvinetsa


hako nekuti zvinongozikanwa kuti mwana
wako hapana chitsva apa saka zvawave kutaura
zvave zvimwe for now chimbosiya zvekuudza
mwana tumashoko shaa.

Brian : Usafunga kuti ndakapusa Sifiso


ndikuzviona kuti watove nevanhu vako ndiko
kusaka uri kuda kundivharira panze manje l am
watching you imbozvizama uwone.

Me : Aizve kkkkkk haya kwamakuenda uku


mukoma ndozotadza kukurespectai manje ,
muri kufunga kuti ndiri panguva yekuda zvisina
basa here chimbondimirai pfungwa dzese
idzodzo ndimbogadzirisa mistake hombe
yandakaita muupenyu hwangu . And parizvino
ndinoda kushandisa mukana wandakawaniswa
nasekuru vemwana wangu kugadzira upenyu
hwangu nehwemwana wangu.
Brian : Aiwa usanditsamwira hako Sifiso asi
pamwana wangu handiregi kumuudza kuti ndiri
baba vake zvezvizhinji handinei nazvo. Chero
chimai chako chaunogara nacho ichocho ndoda
kutochiudza zvizere nekuti ndinochiona zvangu
maitiro acho chinotoda kutokufonyora brain
kuita fanika chinokuraira.

Moziva zvaive zvotaurwa naBrian zvakandibata


pamoyo chaipo aimboda kuzamei Brian
paupenyu hwangu . Inga ndiye akandipa nhamo
yose yandikuona iyi but ndanga ndisingadi
kumutsamwira.

Ummmm zvanga zvoda kundiomerazve veduwe


Brian anga atori miedzo mihombe chaiyo. Kuda
aiona hake kuti ndaichengetwa nababa vake but
ndanga ndisina kukumbira chaive chido chavo
uye moyo wavo waive netsitsi.

Saka zvaisave nei naye kuti angatode kutora


advantage iyoyo.

Ndakazomurovera serious ndaida kuti


anyatsoona kuti ndaisava sifiso uya waaiziva
kare.

Ndaive ndongoita basa rangu ndiri kwindi


munhu akasekererwa anoenderera.
Iye wacho kana kumboita bsa nazvo busy
zvake kutaura nemwana wake kuita fanika
aitaura nemunhu mukuru.
Zvimwe zvacho zvaitaurwa ndaitomboposa
kuseka ndaitoona kuti apa hakusi kurehwa
mwana kunenge kwatova kureva ini.

Ndakazofara pakadzoka mhama nemwana


wavo.

Iiiii mwana wavo akangosviko simudza mwana


zvaitongove pachena kuti aive nechido nevana.

Ndakanzwa moyo wangu kufara kuti mwana


wangu anotozokurumidza kumira kana ave
kutambawo nevamwe vana kana kufamba
chaiko aizokasika.

Ndakazobika ndokupakurira munhu wese


kwaive kwatova kudya kwemanheru.
Brian akadya ndokuzooneka hake asati abuda
akasimudza mwana zvikanzi byeeee byeeee
mwanangu daddy vave kuenda vanozokuona
mangwana see you tomorrow my 👼 akabva
amukisa padam ndokumusvitsa kuna mhama.

Ivo mhama vakangondipa ziso raitove


nemubvunzo, ndokutambira havo mwana.
Ndakatozviziva kuti uyu munhu atondivan'ira
ndaisada kuudza mhama chokwadi zvino
zvazvadai ndichadii? Iye munhu wacho ave
kusadharara kunge atanga nhasi kuziva kuti
Tawe mwana wake manje achagumira kuudza
kumwana wake izvozvo zvekuti ndidaddy vake.

Kuneni ahana chance nekuti akandiidza bedzi


chairo kana achifunga kuti ndezvakare zviya
airasa.
Zvino paachatanga kuti ndidewo
ndigomuramba ndipo achaona kuti Sifiso ahana
kuchipa achaziva hake kuti hwaiva uhwanana
uye kusatoziva chaiko.

Achingobuda kuenda mhama vakatanga kuseka


vakati ndakambozvitaura mai Tawe kuti vanhu
ava vakafanana zvekuti ungatoti Tawe mwana
waBrian asi wakandirambira. Ukati ihanzvadzi
yako asi nhasi ave kuti kumwana daddy
vakuenda.

Ndiudze mai Tawe zvinombofamba sei


ndakangofanana namai vako saka hazvibatsire
kundivanzira zvimwe zvinhu.
Ndinogona kutokubatsira kana pakaita chinoda
kukuvhiringidza nekuti ndinenge ndichiziva
nyaya yako.
Ndinoda undiudze zvese zvakaitika tozotanga
kubatsirana kubva ipapo tichienda mberi.

Hona iyezvino uri mwana wechikoro apafanire


kuita chinhu chinokuvhiringidza kudzidza kwako

Ndakazotanga kurondedzera mhamha nyaya


yangu yese kubva payakatangira chaipo kusvika
nhasi ndive pano pandiri , handina kana kusiya
chidika zvacho.

Vakatanga kuchema ndichiri kurondedzera


ndakazosvika pakupedza kuvaudza vave
kutodudza kuchema.
Ndakavaudza mhama kuti regai kuchema ini
nekuti ndine mukana wekuenda mberi
neupenyu hwangu kuzvigona kana kuzvikanya
hunenge hwatova ubenzi hwangu asi
ndinongoda kuzviti ndiri mukundi nekuti
ndinotoziva kuti ndinokunda chete. Asi
chitozvichemai mhamha nekuti ndinoona
hwenyu upenyu sehwakatooma kudarika
hwangu.

Mom : Ipapo unoreva zvako mwanangu asi


ndarwadziwa nemararamiro awakaita
mwanangu kutambura kusvika pakufunga
kunogara musango here mwanangu uchidya
bhubhunu seshiri.

Hongu ini hangu ndinenhamo dzanguwo asi


ndarwadziwa mwanangu zvekuti dai
ndakakuona panguva iyoyo ndingadai
ndakataura nevabereki vako vakarerutsa moyo
yavo.

Asi chitenda Mwari nekukupa chipo


chavatezvara vane moyo unetsitsi ramba
wakabatirira pavari chokwadi usatsukunyuke

Me : Zvino zvazvave kudai nhai mhamha


ndiudzeiwo kuti mberi kwazvo zvichamira sei
iye mwana wacho amira kunge mweya
wetsvina kudai.

Mom : Aiwa usatya mwanangu kuna Mwari


hakuna chinoramba ngatitotanga kubata
munamato izvezvi. Mwari vedu vachakurwira
uye kukukundisa nekuti mamiriro enyaya
ndinoona sekuti miedzo yacho yauya hot hot
yave kutoda kudaidza Mwari zvakasimba.

Takazotanga kunamata hedu namhamha


takaita dzinokwana 7days tichinamata
takazvinyima taingodya poridge manheru chete.

*Baba Brian*

Pakapera 2weeks sifiso abva pamba


ndakazodeedza Brian kuti aiwuye ini ndaive
mukitchen iye ari kuroom kwake.

Akauya ndokusviko gara pabanch , ndakabva


ndangomuti usagara hako enda kugarden
ugodzoka wondiudza kuti waonei?

Akaita sekudaro ndokubuda kuenda kugarden


kuya . Akadzoka nekukasika ndikati waonei
mwanangu ?

Brian : Ummmm hakusi kuita daddy


kukutonzwisa tsitsi uko yooo zvinhu zvizhinji
zvave kutooma.

Me : Good mwanangu wataura zvawaona


chaizvo, uri kurangarira here musi uya
pandakakuti enda kugarden kuti wakadzoka
uchiti waonei?
Aiwa pindura mwanangu inga ndakakuti
uchengete maonero awaita wani asi
wakanganwa here kuti waonei?

Brian : Kwete daddy handina hangu


kukanga asi kuti mukukanganwa here daddy
kuti paya Sifiso ndiye aidiridza garden now
hakuna akudiridza uko ndiko kusaka kwave
kuoma.

Haaa pakapedza Brian kutaura ndakaseka kuita


fanika ndichadonha pasi heya aitozivawo hake
kuti mai Tawe aive nehelp pano. Ko hindava
aitadza kudzora mai vake vachibata mwana
wevanhu rough kudaro but aitove nechiyamuro
pano.
Brian : Saka mumusekei nhai daddy ndanyepa
here zvamukufa nekundiseka.

Me : Ahuna kunyepa mwanangu wataura


chokwadi chaicho chinopona . Asi zvandiri
kuseka ndezvizvi ko nemhaka yeiwo iwe
semunhu wemurume anofunga, wakatadza
kudzora mai vako pane zvese zvavaiita mwana
wevaridzi. Unoti dai mai Tawe achidzidza
achibva pano ndiro dzingadei dziri kubva
kumukova here kwadziri uko dzichishaya
anononhonga kana kusuka zvako.

Chinzwa mwanangu ndakuisa mutemo wangu


manje kwauri iwe ndiwe uchaudzana namai
vako , sezvo vakaramba kuenda kumusha
kwavo ndoda vachiita semunhu akakwana uye
anemaoko ekuita basa. Zvese zveusimbe
zvavari kuita neuchapa kutadza kusuka ndiro
hadzo ngazvitopera.

Kugarden unoziva zvakwaive kwakaita mai


Tawe aripano ndizvo ndinoda kuona kwave
moudzana namai vako .

Dzimba dzese ngadzigadzirwe zvadzaiitwa


namai Tawe pano panga pave nehusmart
hunotyisa nekuda kwemwana uya
wawakadzinga namai vako pano.

Iye zvino ndiri kukuona zvangu kuti wave kuda


kurebesa muswe wako hauchabviko kuna mai
Tawe zvino ndinoda kuugura muswe iwoyo
nekukupa basa rekuita pano.
Dai waiziva kuti unozomuteverera
wakangoregerei kugara wamubvuma
wakangoregerei reason yekuti uchamboita
zvechikoro asi mhuri yako unoida. Zvino kubva
nhasi ndiwane kugarden kwakaoma chokwadi
munondiona. Kana mudzimba ndinoda kuwana
chinhu nechinhu chiri panzvimbo yacho
hameno kuti mucharongana sei namai vako asi
zvandataura ndinoda kuwana zviri mugwara
mazuva ese handinei nekuti zvaitwa nani
ndatopedza newe so.

Siya mwana wevaridzi aite zvaanoda kwete


kuswero muteverera wakamuramba iwe
pameso pangu.

Brian : Nhai daddy kana muchiti aite


zvaanoda mukurevei iye muchimudzidzisa saka
mukutambisirei mari yenyu.

Me : Kumuendesa kuchikoro kwandakaita


handina kuti atove mujere zviri kwaari kuita
zvaanoona zvinomuitira kwete kumumaka
sebhora nekuti ndikumudzidzisa kwete handiko
ikoko ngaasununguke sevamwe vana vari
pavabereki vavo handidi kuona
anomushungurudza chero zvaada chero
akawana anomuda akasiira chikoro panzira zviri
kwaari ini chandongoda chete kuti ashandise
brain dzake pane zvaanoda kuita.

Brian : Daddy makaoma veduwe hindava


muchitonga nedemo kudaro?
Anototonga nedemo ndiwe unoda kuswera
uchidzimaidza mwana eavanhu kumuita chidhoi
chako unoti handikuoni mazuva ese uriko.

Hameno kana akapusawo iye mai Tawe


akabvuma kuvhetedziwa nemunhu
akamutsvinyira kudaro. Zvino basa pano
ndinoda riitwe swkutaura kwandakaita.

Brian : Daddy moziva kuti nguva zhinji tinenge


tichiita zvechikoro here naSifiso zvino
mukandipa basa hobho tinobatsirana sei
zvekuchikoro.

Kkkkkk chirega kuramba wondisetsa Brian


ndatopedza hameno kuti uchaparonga sei
ukapedza hako basa pano unoenda asi handisi
kuona nguva yacho kuti ichakubvumira kuda
weekend wapedza basa rese.

Moziva daddy vaisawo nemoyo muchena


veduwe saka ndaizorikunda hre basa iri
ndikazowana mukana wekuenda kumba kwana
sifiso.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/Hz6EsJNBwOX5X8
fqtNjGkj

Her own decision


By Linda

0611169903

Chapter 19

*Brian*

Zvimwe zvinhu zvaiitwa namudhara soka


waitoshaya kuti kundimaka here kana kuti
kundivenga chaiko. Vaingotadza kupedzerana
namhamha vaiva shungurudza voita basa
rekundikonesa kuenda kuna sifiso ndiudzeiwo
kana ndimi veduwe manje vaitamba zvavo
nenguva uko ndiko ndaizoenda., saka zvaive
pachenaka kuti vaida kuti atorwe nevamwe
varume .

Manje izvozvo ndizvo zvaisaita sifiso aitove


wangu kufara nekusuwa and
ndaisatombotamba ndichidaro ndaifanira
kutogara ndichimuona uye kutarisa kuti hapana
ari kuda kutambira pedo naye here?

Hongu ndaive ndakabhaiza zvangu pakutanga


asi iye zvino ndichamuchengetedza pese zvapo.
Ndinoona fanika zvimwe zvinhu ndisatan chaiye
anenge achikushandisa kuti uone chinhu
chakanaka fanika chakashata.

Nguva yese yaigara Sifiso kumba kwedu


handina kumbomunzwira moyo sezvandaive
kuita iye z bevino. Pasina zvekuti aive awonda
kwete nekuti Sifiso akauya kumba kwedu
akazvisimbira. Akatozoonzwa nekuda
kwekushaya chikafu apa munhu aiyamwisa.

Chokwadi ipapo ndipo ndakaratidzawo neni


kufunga chero ndaisamuda asi ndaitofanira
kumira naye chero chikafu chaicho ndaifanira
kutomupa asi ndakatadza kuzviita nekuda
kwemabasa asatan. Chongodiwa iyezvino kuita
zvinhu zvangu neungwaru.
Ukaona ndikaruza mukadzi akaita saSfiso
ummmm kuroora kwangu kuchatonetsa.

Pana Sifiso ndichamira semweya wetsvina


chero mudhara vandiwanzira basa vachifunga
kuti ndinotadza kuendako vari kuzvinyepera
ndinoda kutochinja nguva dzekumuka. Now
ndakumuka na3 ndichiita basa rese and garden
racho ndinoda kuti ridzokere zvaraive rakaita
Sifiso ari pano. Ko kukasika kumuka
kwakambouraya ani inga Sifiso aingomuka
wani achiita basa ahana kumbofa.

Ndakazviudza kuti ndisati ndabuda kuenda


kuschool ndinoda kusiya ndaona kuti zvinhu
zvese zvarongeka.
Time dzandinenge ndodzoka ndonanga
kwaSifiso uko handikonizve ndingatotorerwa
nekuti zvimaticha zvacho zvese
zvekusecondery neprimary zvino ngomutarisa
and zvinondibowa sei kumutarisa
kwavanomuita ndinonzwa moyo kutsva chaiko.

Manje taive tese nemumvura nemvura but now


ndofanira kuita ndichizvidzora nekuti achine
kakufunga zvakare. Ndikakurumidza kuda
kumuratidza zvandiri kufunga ndogona
kuzviruza. Saka panotoda kutamba pore pore
kusvika anyekera.
Vakadzi ndinovazivaka vakaitirwa zvakanaka
vanobva varasa muswe unonzwa munhu achiti
haaaa uya here mazuvano ave right munhu boe
zvokuti izvo kwaani unenge watodyira wabvuma
kuredzeka sehove, ndizvo ndinoda kuita Sifiso.

Ndinoda kutombopfavira ngoma chaiko


kutombosiya karuchengera aka nekuti ndogona
kutoita kuti anyanye kutondivenga ndikada
kuita zvedzungu.

Ndaive ndoti amwe mazuva ndoenda kwaSifiso


amwe ndorega zvangu , iye ndaimuona kuti aive
ave nekakundiignore zvake.

Kana mwana ndaitamba naye zvangu asi


ndanga ndasiya zviya zvekuti anditi daddy.
Ndaizviva kuti zvaizokonzeresa nekuti Sifiso
anga achinja now anga asisiri uya wandoziva.
Kana mai vaaigara navo ndofunga vaingotadza
havo kundibvunza asi matarisiro avaindiita soka
wega waitoona kuti vane nyaya.
Zvino zvekubvunzwa zvinyaya zvakapera kare
ndizvo hangu ndaisada ngavagare zvavo
nezvinyaya zvavo. Nyaya huru yandingatoda
pavari inyaya yekuti vachengetedze mukadzi
wangu asaita zvevamwe varume.

Ndaivaona zvangu kuti vaive nedzidziso


yakanaka vaitomutora semwana wavo chaiye
kureva kuti vaizomutarisisa kuti amboita
zvechikoro.

Ndakatoona kuti kune vamwe vanhu vane moyo


ndizvo mhama vangu vaingotadzawo here
izvozvo. Vaizonyanya kumuvenga kwacho
kureva kuti moyo wakaipa here kana kuti vaida
kufadza ini mwana wavo. But chero zvakadaro
munhu ahufanire kusafisa umwe munhu
nekuda kwekuti ufadze umwe munhu, nekuti
munhu munhu anofuma ave kuda munhu uya
nemoyo wese unozopaita sei?

Seipapa nini Sifiso wangu ndave kumuda


zvemhando yepamusoro zvino kana vaida
kufadza ini vachaita sei ?

Hameno zvave kwavari nekuti ini pana Sifiso


angoda kundimisa nezvake anobuda zvake
mulife yangu chero ari ani handinei nazvo.
Kwaiva kusatoziva chaiko kwandaiita ndaive
ndakakwidibirwa nejira dema chairo.

Makambozviobawo here kuti munhu


wamuwana iri mhandara apa uchinyatsoziva
kuti mwana mudiki njere hadzisati dzodhonza
ndipo wotomublema iwe uriwe
wamuvhingidzira life yake. Ko dai aive akachipa
ndakadiii kuwana ari gombo rakaundukurwa
kare?
Haaa kutaura chokwadi ndini ndakabhaiza
chero ndikada kuzvitarisisa ndini
ndakatofonyora brain dzamhamha nekuti dai
ndisina kumbobvira ndaramba vangadaiwo
vasina kumbomuitira utsinye

Ndakazokandira pfungwa dzese idzi kure sezvo


ndainge ndosvika pana Sifiso.

Ndichisvika ndakatorohwa nehana kuona Sifiso


akatogara panze pamachair neumwe ticha
wekupachikoro pavo.

Moziva ndakaita kubvunda neshungu kushaya


kana zvekutaura umwe moyo wangu wakati
netsana nemunhu uyu hauoni here kuti
watotorerwa munhu wako.Asi umwe moyo
wakati kwete Brian take your time kuongorora
uye kuziva kuti pane iripo here chenjera
kuzozviporongera wega.

Ndakashaya kuti ndodii moyo wakatanga


kutsva kuita fanika waive murimi remoto.

Ndakatoona kuti pano rega ndinange kutoilet


chaiko kumbonoseredza hasha ndozodzoka
hangu pamwe zvinge zvave nani.
Ndakangoita u turn kunanga kutoyaz kwandaive
ndisina kana chandaida kunoita. Ndakasviko
pinda nekumira ungazozvitsvaka here kuti
mutoireti unenge usati wasvika pamwe pekuti
unopererwa uye kuziva kuti ndikangoita
musindo zvatodhakwa zvamuchose.
Ndakaita nguva imomo ndichifunga
ndakazozvisimbisa nerekuti pamwe
kungogarawo plus Sifiso musikana varume
vanotomuchochora asi zvoda iye chete kugona
kuzvibata.

Apa ndaifanira kutoita plan yekupota ndichiita


sendinomupa mazano nekumuonesa kuipa
kwekudanana nevanhu uri mwana wechikoro
kuti zvinogona kukudzosera kumashure
zvachose. Saka ndaitofanira kumuudza kuita
fanika ndaimubatsira uye kumuonesa ini hangu
ndichiziva zviri mumoyo mangu. Hongu
kudzidza ndaida kuti adzidze nekuti
zvakangokosha munhu kuzvigadzirira
ramangwana rako.

Ndakazobuda hangu mutoyaz muya ndokuenda


kwaive nevanhu vaya ndakasviko wana chair
yangu yatovapo ndofunga ndiSifiso chete aive
asano kunditorera inga aitombondi respect wo
wani ndakatombonzwa moyo wangu
kunyevenuka , kungoti Sifiso aisave rude aive
munhu kwaye zvake.

Takamhoresana paya nekubvunzana mufaro ini


handina kuda kutanga kutaura ndakangoti
ngavaende havo mberi nenyaya dzavo.

*Mai Brian*
Ndanga ndazogadzirirwa size manje
yaindikwana chaiyo ndanga ndave muranda
weupenyu zvino. Hakuna kwandaive
ndichatemba kunze kwekutoita munhu kwaye
ndogara pamba pangu.

Sabhuku ndakazovatenda nembudzi nekuti


vanga varwa hondo huru chaiyo kutaura kudai
ndingadei ndiri kupi nhaimi kuswero netsana
nevaroora ndanga ndisisadi ini.

Ivo pavanondivenga ndisisagari navo ko kuzoti


ndatuta mikwende yangu ndogarapo chokwadi
kana sadza chairo haungaripihwi.

Brian anga asisagari pamba chake aiuya


ongorara chete kana sadza chairo anga
asisadyi. Zvinova zvakaita kuti ndinyumwe
nenyaya yaSifiso maybe ndiye anga okwezva
mwana wangu chete hakuna umwe.

Ndakangoti regai tigoona pamwe


ndingamhanye kufunga zvisizvo.

Mazuvano ndinoda kumboedza chaizvo kuita


nezvangu ndisiyane nekutsvaka zvakawanda
chokwadi unorambwa wani nezvinhu zvisina
basa. Chero Sifiso wacho akabva pamba pangu
hamenowo kwaakachengeteswa tichazvinzwa
hedu nekufamba kwenguva. Ini wangu muromo
regai ndisone ndizvigarire pamba pangu hanzi
nevakuru gonzo mhini gara mumwena
chemudzimu chikuwaniremo.
Mazuva aifamba ndakatombozama kufonera
hanzvadzi yangu kuti makafamba sei ?
Wanikwe ndakablockwa nechekare chokwadi
ndipo unoona kuti kungosara kufamba asi
hapana anenge achakuda. Hanzvadzi dzangu
dzese kundibloka here asi izvezvi kunzwa kuti
ndafa vanouya vachimhanya kuda kuhobingisa
zvenhema kuitira kuripisa nepasina mhosva
udyire ndiho hwaivanetsa vana vababa vangu.

Ndofunga vakatosviko rangana kuti arambwa


toda kuona kuti anoendepi but pfuma yangu
vakadzya nevakadzi vavo.

Ipapo panoda kugadziriswa kune vanozviita


kana wadya pfuma yemunhu ziva kuti
uchazomira naye mukufara nemukuchema.
Kwete kungoda kudya chete asi kana munhu
otambura munenge musisadi kana kumuona.
Nyangwe muchinditi ndakaipa hangu asi
zvinorwadza veduwe better kungogara warega
kudya pfuma yebenzi.

Ndakatozotenda hangu baba Brian


nekunzwisisa kwavo. Chero havo
ndisinganyatsooni mufaro wavo asi ndinotenda
kuti ndave nepekuduka. Ndichazama kuita
zvekuti ndisadzingwe pano nekuti
ndazozvionera kuti hakuna anondida shuwa.

Ndakazoshamisika ndoona akuita basa pamba


zvaasati amboita zvakatondinetsa kuti ko
zvanga zvabvepi.

Ndaisara ndomuka munhu akapedza zvese


atoenda kuchikoro .
Pasina mazuva pamba panga pachinja
zvainwisa mvura kana kugarden chaiko kwange
koyevedza inga mwana wangu aishanda
chokwadi.

Nababa vacho nyaya dzaiva shoma kwaingova


kuswedzana zvotongogumira ipapo.

Ini hangu zvose izvozvo ndaisanyanya


kuzvitsvaka chandaive ndokoshesa kuwana
pekuduka chete. Ko ukaita zvekutamba
unoswera womberereka nenyika uchisiya
musha wako munhu nekuda kwekusakwana.
Inga zvanga zvarongeka wani chandaive
ndichanetsera chii iye Sifiso abva pamba pangu.
Ndaisatomboda futi zviya zvekuteverera kuti ari
kupi kana kuti ari kuchengetwa nani izvozvo
ndizvo zvaizondituma mweya wakaipa saka
panguva ino ndinoda kutombosiyana naye.
Asi ndikazonzwa kuti ane chekuita nefamily
yangu tinotangira ipapo tichienda mberi.

Ipapo ndakabva ndatogaya kuti gara mbuya


vaye vaive vandipa mushonga wekuti apenge,
ndakatombofunga kuurasa asi ndakaona kuti
ko ndikazosangana nedambudziko rake
ndaizodii nekuti ndanga ndisisadi zvekudzokera
kun'anga.

Ndakatozoona kuti mwana wangu aizogona


kukanganisika muzvidzidzo zvake nekuda
kwekunyanya kusevenza. Ndakazomuudza kuti
basa rese repamba asaita hake ndaida kuti
angondibatsira kugarden chete. And anga
otoratidza kudzikira chaiko.
Zvakatangawo kutondidya moyo kt chaive chii
chaizvo and nguva zhinji aisadya pamba.

Zvakabva zvandipa shungu yekuti ndaifanira


kuzomubvunza kuti zvaairamba kudya mazuva
ese aidya kupi,?

Ummmmm zvevana vechikomana


hazvitembewi unoona mangwana oti tutururu
nemunhu pano zvonzi ane nhumbu , izvozvo
ndizvo zvonoda kudzivirirwa nenguva.

Ummmmm angadai ambozvimira mwana


wangu nekuti anotofanira kutenda mwari
vakamunyukura mune zvimwe akapara imwe
indava dzake ini handina nguva yekumira naye
izvino.

Vanhu vanotokuita benzi but unenge uchida


kuzadzikisa zvido zvemwana wako.
Ko kana mwana ati kwete iwe ungahoti hongu
here unototeverera shure kwemwana wako.

Asi nyangwe zvakadero karuvengo pana Sifiso


kaisada kupera ndaingoti ndikafunga nezvake
ndotonzwa kuita kugarwa pahuro chaipo.
Kuda zvichapera hazvo sezvo ndisisina
kwekumuona now ndakumboita zvepamba
pangu.

*Mai Sifiso*
Iripo nguva yekuti ndaitadza kana kuwana
nguva yekusununguka nekuda kwevanhu
vaindifonera vachindiudza zvakasiyana siyana.

Ndakapedzesera ndatombochinja simcard


kana ndimiwo ndiudzeiwo kuti vaifanira kuti
ndidii ndiri kuno kure kwadaro. Kuzvara kumwe
chete nekuti kundiudza kwamunenge muchiita
ini ndiri kure munenge muchitondibaya pamoyo
chaipo. Asi chakakosha ndoona sekuti kana
waona kuti mwana ari kushungurudzwa ko
endaka kupolice unoripota kuti kune munhu ari
kuabuswa ndinoona sezvitori nane ini .

Nekuti kunyangwe mukaswera muchindifonera


Sifiso handitodi ngaagare ikoko ndizvo akada
ega saka ini hangu zvekuti ndirerere mwana
pano dziya handidi anozoziva sei chakanaka
nechakaipa kana ndikangonzwa kuti zvadai
nditomhanya kutora mwana .

Baba vake vakamboti ngaadzokere kumba ini


ndikati kwete kana matodaro matouraya
upenyu hwake nekuti kana nevafudzi vemombe
vanenge votowana kwekunopedzera nyota.
Kana munhu angoziva varume chete anonetsa
especially tisiko kumusha kwacho
zvingatozonyadzisa zvakanyanya.

Ndakavaudza regai zvadaro vachajairana havo


chinongokosha kuti mwana azive kuti ndikaita
zvakadai upenyu hunondiomera. Saka
hukanyatsomuomera achazoziva kuti anofanira
kuita sei?

Mazuva aifamba and mapic evana


ndaisenderwa , vairatidza kuchengeteka
zvakanaka chaizvo. Ndaingoda kuzvitenda
nekuti ndaifunga kuti kubva topamba kwakaita
Sifiso musha wangu waizofa uye vana vangu
vaizotambura zvekuti mazuva ekutanga
ndakatomboonda chaiko nekuda kwepfungwa.

Ndakazonzwa rimwe zuva baba Sifiso


vachitaura kuti vaive vanzwa kuti Sifiso ave
kuendeswa kuchikoro uye akabviswa pamba
pemurume wake. Ndakangotiwo aaaa hameno
ikoko chakangokosha kugona kuzvibata chete
hatidi kuzonzwa zvave zvimwe ikoko.

*Baba Brian*

Munhu munhu chokwadi waimbozomuziva here


kuti ndiye Brian uya aive ane rimwe namai vake
myndaizviziva zvangu kuti achamuda chete
mukadzi iyeyu waaishainira kudaro. Manje
ndaida kusunga play zvakanyanya ndaisada
munhu anovhiringidza muroora wangu kudzidza.
Yaisava mhosva yangu iye Brian ndiye aive
akazvikanyira ega saka ini ndaida kuti awone
kukosha kwechikorobho chaaive arasira mvura.

Pandakamupa basa rekuita pamba ndaifunga


kuti achashaya time yekuteverera muroora
wangu asi hazvina kuita sekudaro nekuti
aimuka husiku chaiho oita basa rese opedza
kumazuva rodoka ndaimuona nebhasikoro rake
achisvika kwamai Tawe.

Ko ndaimboziva kuti munhu aikumbira


kutengerwa bhasikoro rekuti ave achikurumidza
kusvika kwamai Tawe kkkkk inga mwana
wangu anga akaoma shuwa.
Manje ndaida kuzvivharisa zvese izvozvo
atamba nezvimwe rwendo runo ndinoda kuti
awone kuti havana kungwara vese namai vake.

Kutanga kwegore ndinoda kutonomutsvakira


nzvimbo kuboarding 🏫 kwekuti ahawani
mukana wekuuya kusvika zvikoro zvavharwa.
Ini ndini ndinoziva zvandiri kuzviitira handidi kuti
pawane anokanganisa umwe chikoro. And kana
ari Mai Tawe ndinovimba naye ahana
dambudziko ndinototyira kuti
angatozovhiringwa futi chikoro nebenzi rangu
iro ndiko kusaka ndiri kuita plan kuti
vaparadzane vese vamboita zvechikoro.

Ndinozviva chete kuti vachazova vese asi kana


zvakona handipi muroora wangu mhosva nekuti
wangu ndiye akatsvinyira munhu. Asi ndinoda
kunamata kuti Sifiso asabuda kumusha mangu
nekuti mwana akabva kuvanhu. Zvikafamba
zvakadero ndingarwadziwe asi handizofi
ndakamupa mhosva kana zuva rimwe chete
zvaro.

Mazuva aifamba Brian akazomiswa kuita amwe


mabasa epamba namai vake aive ongodiridza
garden chete . Zvino nzira yainge zvino
yapfumba and ndaiona kuti hushsmwari hwake
nemuroora wangu hwaikura manje ndiho
hwandaizodimbura mirai muone zvenyu. Manje
manje vanenge voonana pamaholidays.

Ukuwo mai vacho vanga voita basa pamba


waitoona kuti zvave nani asi ndaisave nenyaya
navo and ndaisada kuvaratidza kuti ndikufarira
zvavari kuita ndaimuziva munhu wangu kuti
akasekererwa anogona kuzofarisa zvekurebesa
muswe saka ndaida kuti vagare vakapeta
muswe wavo.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision

Story by Linda Mai Peace

0611169903
Chapter 20

*Brian*

Vakuru vakareva vakati midzimu yakupa


chironda yati nhunzi dzikudye. Chokwadi ini
dzanga dzave kundidya for sure handidi hangu
kunyepa. Ndakatozoona kuti ndikaita
zvekutamba kana chikoro chacho ndaizofoila
chaiko.

Zvaive zvangova zvekushinga semunhu


wemurume asi pfungwa chaidzo dzaindidya
moyo.

Mudhara vanga vakaoma havo shungu dzavo


dzaive pakuti ndiparadzane chete naSifiso.

Tearm yakasvika pakunopera ndaibva


nekumufunga , ndaiti ndikazama kumufonera
aisadaira zvake fon. Chero ndikataura naye
kuapp aingo blueticker osiya zvake mwana
wevaridzi zvakasakisa kuti dzimwe nguva
ndipote ndichichema.
Ndaichema guys handidi kukunyeperai zviya
zvekuti munhu wechirume ahadonhedze
musodzi inhema chaidzo unenge usati wafunga
zviri deep chaizvo.
Munoiziva here pain yekuti munhu anovhura
message yako orega kupindura apa uchigara
uchimuona online. Apa ndiye munhu waunenge
moyo wako wakaperera paari apa unenge
uchizivazve kuti ndakambomukanya saka
unenge wakutoona fanika atove busy hake
nevamwe. Chokwadi unonzwa seunotsva
hamusati mambozvinzwa chete.
Panga pasina hapo yekutamba asi zvikoro
zvaizosvika hazvo pakuvharwa saka
ndaizonomuona paholiday this time handidi
munhu anondiudza zvisina basa maererano
naSifiso.

Idi regai zvenyu muone vanhu ngavatodzikama


havo mekuti moyo wangu une bundu
nezvandakaita mwana wevaridzi ndichishaya
aindidzorawo nekundionesa.

Patakangozovhara handina kuda


kumbotambisa nguva nekuti ndaive ndagara
ndakatorongedza kare. Ndakangosimudza bag
rangu ndokunanga kunokwira bhazi ndakanga
kuchikoro kwana Sifiso kumba ndaizoenda
ndamboona mhuri yangu.

Ndichisvika ndaifunga kuti Sifiso achandiignore


semuitiro wake but apa akaratidzawo kuve
munhu kwaye kutondifarirawo ndofunga aive
andisuwawo.

Ndakatandara kusvika nguva dzanyanya


kufamba zvekuti ndakazotya kuenda kumba
sezvo kwaiva nemhindo yakanyanya ndaigona
kuzoruma nenyoka, saka ndakaona kuti zviri
nani kurara sezvo dzaiva 2rooms ndaizorara
hangu mavanobikira. Ndakazomuudza Sifiso
kuti kwanyanya kudoka ndakurara ndozoenda
mangwama. Ahama hake zvaakataura
akazondiwadzirira ndokurara hangu. Ko hope
dzakambouya here ndichifunga chino nechocho.
Apa chimwana changu chaikura sei ko iko
kunaka sababa ummmm apa ndaitozochaja
zvemhando chaizvo.
Iye Sifiso wacho ndipo aindidzidzisira mwana
wangu zvisina basa hanzi iti kulu kana ndimiwo
makamboonepi munhu anoda kukanganisa
mwana achimuudza zvisizvo.

Ndakati handimbobvunzi hangu asi


zvaindirwadza mumoyo mangu.
Kuchiedza ndakageza kumeso ndokuoneka
hangu ndoenda kumba, pandaive ndobuda
sifiso zvake kana kumboda kundibuditsa.
Zvaizoita here nhaimi kuti muenzi angobuda
ega. Ndakabva ndangotaura pachena kuti nhai
sister ko hamubuditsiwo vaenzi here?
Ukanyara haugwazi paripo pamwe paunoona
wega kuti apa hapachadi zvanyadzi unozviruza
uchinyara nhema.

Akatoseka hake akati saka munhu kana anga


asipo paanodzoka anenge atove muenzi here?
Regai ndikubudisei mukoma tione uyenzi
hwacho kuti ahuzoperi here nekuti ndinozviziva
kuti muchada futi kuti ndibuditsei zvino uyenzi
hunenge hwapera.
Ndakafara sifiso achibvuma kundibuditsa
ummmm ndanga ndamusuwa hangu veduwe.
Ndainzwa kufara kani ndinaye nyangwe zvazvo
aisaziva zvandaifunga asi ndaitoona sekuti
hana dzaitoroverana hameno kana
ndaizvifonera nekuti Sifiso wacho aisaitirwa
zvisina basa.
Ndipo wega unoona kuti chokwadi ndakarasa
mukana dai angobvuma hake kundipa second
chance awone kuti ndine rudo rwakadii?

Ndakatomuudza kuti mai Tawe ndanga


ndakusuwa shaa kuonda kudai kufunga iwe
shaaaa zvaramba kuti ndirege kukuudza ini.
Zviripo zvekuti unovharira muhana asi zvimwe
unongokaruka wataura zviri pahana yako.

Me : Ndikutokuudza Sifiso nyangwe


ukanyarara asi ziva kuti ndaikufunga
zvisingamboiti shaaa.

Sifiso: Matanga kunyepa manje mukoma


hamuchadi kuperekedzwa nekuti
muchazoramba muchiwedzera kunyepa
kwacho imi zvamatotanga kunyepa kudai. Regai
ndidzokere ndisati manyanya kunyepa kwacho.

Me : Saka ndonyarara here Sifiso usadero


shaaa ndikutokuudza but mudhara kuita kwavo
soka, handigoni kugara kure newe Sifiso chero
ndichikubowa hangu.

Sifiso : Asi hakuna vamwe vanhu here


waifanira kunge watove nemashamwari hobho
ikoko anokuvaraidza.
Me : Kana ndichitaura unoona sendiri
kutonyepa handitika pandichafoila ndipo
uchaziva kuti ndafoiliswa nekufunga iwe.

Sifiso : Kkkkkk seka zvako mwana wemuera


Moyo manje ini ndiri kukavira bhora mberi
shaaa chikoro handisi kuita zvekuchitambisa
asi kuti ndinoda kutsiva kumbochisiya
kwandakaiti kungoti dai pasina zvezvima.....

Me : Dai pasina zvechii Sifiso ndiudze


shaaa moyo wangu uri muhovhoni shaaa better
ukataura zviri pamoyo pako kuda moyo wangu
ungawane zororo hazvinei kuti wataura
zvinondibowa here kana kuti zvinondifadza asi
chakakosha kutaura chete.

Sifiso : Tozoonana mukoma regai


ndichidzokera.

*Sifiso*

Apa ndaitotaura ndave kufamba kuenda


ndakatoona kuti ndikaramba ndichida kunzwa
zvaitaura Brian zvaigona kuzofonyora pfungwa
dzangu. Saka ndaifanira kupota ndichigura
kakuwirirana kuti kaite kashoma. Hongu
ndanga ndamusuwa hangu nekuti kazhinji
paaive asati aenda kwaave kudzidza, kuuya
kwaaita pano pachikoro kwaitondidzivirira
zvizhinji now ndave panguva yakaoma zvekuti
ndinoshaya wekuudza nyaya dzangu asi
zvinondidya moyo.

Ndakazonyarara ndisati ndapedza kutaura


ndaive ndotoda kupisira kuudza Brian dzimwe
nyaya hadzisi dzekutaura nekuti ndomuziva
neshanje dzake aizogona kuita musindo
nevanhu zvikandimakisa pachikoro ndiko
kusaka ndakurumidza kubva paari.
Handina kana kuzocheuka kuti ndione kuti
aenda here kana kuti akachakamira.

Ndakazviziva zvangu kuti pano ndogona


kutopinzwa busy kubvunzurudzwa zvisina basa.

Ndatanga kutofambisa kuenda ndichigaya


hangu nhamo dzangu dzandaive ndakatarisana
nadzo , kwete zvana Brian avo vaida kutozviitisa
kundifunga kwechii munhu aive
angondinyavhurisa pachena kuita kundisiya
mumatope chaimo.

Zverwendo rwuno achafa hake nekufunga


munhu wandisina kana moyo naye kana feeling
zvayo. Iwo mafeeling anoitawo seanotoziva kuti
munhu wedu ari panguva yakaoma hatifaniri
kumuvhiringidza. Ndaisatombonzwa kana
chimwe chinhu kana zvese zvinotaurwa
nevamwe zviya kwandiri dzaitova ngano
chaidzo ndaisatombonzwa zvangu kana
panopfura.
Pamwe inyaya yekunyanya kutambura
kwandakaita yaikonzera kudaro saka pfungwa
dzaiva busy kuda kutwasanudza upenyu
hwangu kwete kumhanyidzana nezvisina basa.
Kana zviya zvekuona zvima vedio zvisina basa
ndaive ndakasiyana nazvo karesa. Muchiti
kumunhu ane dzakakwana chaidzo
ungadzokorora zvinhu zvakakupinza mupfumvu
kudai here kwete ndanga ndakatsidza kuti
handifi ndapamhidza futi zvinhu zvisina basa
kana zvimagroup ndaive ndakadeleta zvese
ndaisada zvinhu zvinokonzeresa muphone
mangu. Ndaida kutanga ndagadzirisa upenyu
hwangu ndozoona zvinenge zvakandinakira
pamberi apo ndaona kuti zvechikoro ndapedza
uye ndakushandira mwana wangu. Saka
ndaizotangira ipapo ndichienda mberi kwete
kuti ndiremedze hangu hana yangu nezvinhu
zvisina basa regai vakagarika vaite havo.

Chikoro ndairova handidi kukunyeperai zvekuti


dai paishaya chinondivhiringa upenyu hwangu
pamberi apo ndinoona fanika
ndaizorangarirwawo naMwari.

Munhu anga akuda kundishaisa mufaro


pachikoro apa ndiheadmaster ummmm avo
vainge vatova miedzo muhombe chaiwo.

Zvekuti dai zvaigonaka sekuru vaTawe


ndaizovaudza hangu ndochinja chikoro better
kudzokera hangu kuchikoro kwangu
kwandaidzidza kare chero ndikanosekwa
hazvina basa vanoseka havo vakanyarara.
Zvitori better kusekwa asi pasina
chinokuvhiringidza.

Imwe miyedzo yematicha yaitova nani nekuti


ndaingomaramba kana vakada kuramba
vachindinetsa ndaivaudza kuti ndokuenderai
kuna head.

Zvino ivo head vacho ndivo vanga vatomira


chambizi kuda kundifuvisa chikoro. Hanzi
ndakakuitira favour kuti udzidze nemwana
wako saka iwe chindiitirawo favour yekundipa
zvandoda.

Moziva ndakabva hangu ndangoona paive


nenyaya yavo , asi ndakabva ndangovaudza kuti
handina chandinacho saka hapana favour
yandaigona kuvaitira. Handinaa kuzviisa
mupfingwa ndakangozvitora hangu sezvinhu
zvisina basa handina kuziva kuti mumoyo mavo
vatogarwa nasatan.

Varume vakakuona une mwana hamheno


kamwe kamufungiro kavanoita ndofunga
vanenge votokuona sewatove looose.
Zvino kana ndine mwana handina kuchipa
vaizvinyepara nekuti mwana wacho vaisaziva
kuti akauya sei muhupenyu hwangu. Zvino
hapana kana umwechete wavo wandaizobvuma
vaitamba nenguva zvavo

Ugoona pachikoro chedu paidzidziwa kani


zvekuti chero kuvharwa kwakaitwa zvikoro isu
pane maticha akatotaura kuti vose vanoda
kudzidza paholiday munouya monyoresa
tichidzidza 3 days paweek kusvika zvikoro
zvavhurwa..

Ini ndini wavamwe vakatonga kunonyoresa


nekuti ndaisadza kudarikirwa nezvidzidzo. Asi
maticha acho taimabhadhara hedu .

Ndakazonoudza tezvara nezvemari yekudzidza


paholiday vakati paive pasina chakaipa
vaizobhadhara.

Brian aiuya mazuva ese zvekuti


ndakatopdzesera ndamuti ko wadii hako
kuzojoina kudzidza nesu pakutambisa hako
mukana kwauri kuti ta ikoko.

Akabvuma ndokutobhadharirwa nababa vake


kuti aitewo malessons paholiday.

Raisadoka ndisina kudaidzwa kuoffice nahead


,unzwe zvandaidaidzirwa zvacho zvisina kana
basa. Zvekuti wega waitoina kuti kuda kutsvaka
kundijairira.

Ndakazorwadziwa umwe musi vandidana pari


palunch ndikaenda hangu ko ndagozivei kuti
vakandirongera dhende.

Ndakasviko noka door ndipo vakati pinda ,


ndokupinda hangu muoffice mavo.

Ndakasviko mira ndokuvaswedza ndikabvunza


kuti mandidaidza here?

Vakabva vati hongu vachitosimukawo pacheya


pavanga vakagara.

Handina hangu chandakafunga ndakati zvimwe


vane chavari kuda kutora.

Ndaive ndakatomira ndakavarairwa hangu


ndichiyeverwa nemacharts aive akanamirwa
kumudhuri pasina kana chandaimbofungira.

Ndakaona vokiya door ndokuisa namey


muhomwe hana yangu yakarova zvekuti
ndakaposa kuzviitira weti.

Veduwe hakuna kusina uwori chokwadi ndipo


unoona kuti nyika yatinorarama tiri ina satan
zvimwe zvinhu zvinomboitika muupenyu hwedu
tichirarama zvinongoda Mwari. Nekuti wega
unogona kufunga kuti haaaa ini here
ndinoramba muromo wekuramba kuti handina
here? Chindiudzaiwo sepanguva iyoyi yandaive
ndave ndaipabuda here?
Ukaona munhu wechirume achikubatsira
nechimwe chinhu ziva kuti pamberi apo
ahatadze kuda kurara newe ndiko kazhinji
pfungwa dzevanhu rume vanotora advantage
yezvaakuitira wotove mukana wekuda kukuita
zvaanoda.
Ndakaona vofamba kuuya pandaive ndakamira,
ini ndokutanga kuchedha kudzokera kumashure
apa ndaive ndotoudza musiki kuti nhai Mwari
muripiko honai nguva yandave handigoni
kuikunda ndega.

Ko office yacho yaisava hombe zvekuti


kudzokera kumashure kwandakaita
ndakazosvika pakunoti ndii kumadhuri.

Ivo vaingouya chete vachitaura kuti Sifiso


unomboziva here kuti ndokuda , kana
ndakakutarisa uchifamba ndinonzwa kutorwa
moyo wangu.

Nhasi handikusiye Sifiso uchienda pasina


zvandakuita hona hako .

Apa pavaiti hona hako vainongedza


pabhurukwa ravo kunotarisa kudai hana yangu
yakawedzera kurova zvekuti hembe yaitomba
kuratidza kurova kwehana zvakanyanya.

Vakasviko ndimbandidzira kumudhuri kuya apa


ziso ravo raive ratsvuka kuti piriviri. Guys
hamuna kumboona zvakadaro imi
chandakaona musi uyu. Zviya zvedu nana Brian
zvekutungana kwembudzi zvaisatyisa
sezvandakaona musi uyu. Apa vaive hofori
yerume , vakandimbandidzira kudaro vakabva
vaisa ruoko rwavo kuvhura zipi kuti vaburitse
chinhu chavo.

Ipapo manje ndakaona kuti mutambo uya


watsvuka ropa manje ndikati regai
ndiikwatsure mhere . Pandakashama muromo
ndichida kuti ndicheme ndipo rumwe ruoko
rwavo rwakabata muromo wangu. Apa vakaita
kunditsikidzira kumadhuri nemuviri wavo wese ,
hautsuduruki veduwe. Rumwe ruoko ndokuti
weee zinhu ravo ndipo ndakati finish saka
ndizvo mada here nhai Mwari ndaitaurira hangu
mumoyo mangu nekuti zvanga zvatooma.

Ndakati pano pave kutoda njere chaidzo chauya


chauya hameno win or loose ndiyo nguva
yandatarisana nayo pano.
*Mai Brian*

Chokwadi ndaive ndazviparira handina kuziva


kuti sabhuku vaive dyire yakadaro.

Ndaive ndototya kana kusangana navo muroad


zvavaive votaura zvaisanzwisisika. Unotowona
wega kuti ndakagadzirisa dambudziko nerimwe
dambudziko.

Ndaive ndapinda busy chairo zvekuti mufaro


wese waive wapera kuti tsvai kana zviya zvekuti
ndakangwara zvinopera kuti tsvai.

Vaive voti vakapedza mazuva vasina kundiona


vaitouya kumba kuzonetsa nekuti vainyatsoziva
kuti baba Brian vanenge vasipo vari kubasa.
Ummmm zvavaida chaizvo zvaisabuda nekuti
ummmm zvaitotyisa chero kuti nditaure chaiko.
Ndakatoona ndega kuti better nditore hangu
imwe mbudzi yacho ndivape.

But varume musadaro musade kuti kana munhu


ane dambudziko rake imi motora mukana iwoyo
kuita mabasa enyu ehuri.

Zvino ini hapana chinhu chandaive ndakasema


sechihure saka ndaisaita izvozvo.

Iyoyo imwe mbudzi yandaive ndavapa yaive


isina kumboonekwa kuti haipo. Ndaive
ndangotsindidza mufudzi kuti ikabvunzwa
anongoti handisi kuiona.
Makambozvionawo hre kuti munhu akabatsira
munhu womutenda oramba achingoda
kutendwa apa anenge ave kutoda kuomesa
omesa kutoda kukutsotsa beans aaaaa chero
ndimi varume munonotsva chete muri vana
satan chaivo.

Zvebeans bodozve better kuti ndivape zvavo


imwe mbudzi zvivharane zvakadaro. Ndiri
ndozadzwa chirwere hangu kuti ndadii.

Vaive nebasa kani sabhuku ivava


ndakatozotenda kuti vanhu vaitaura chokwadi
ndaisimbovarambira asi ndazobvuma . Kuita
kutenda waona saThomas , chokwadi
mukanzwa munhu achitaurwa mira
kumurambira nekuti ukanzwa vanhu votaura
pane zvavatoona.

Mazuva aisamira kufamba ndakazoona zvikoro


zvavharwa ndikati mwari vabetsera
ndombozorodzwa basa naBrian sezvo baba
vake vaive vamutsvakira nzvimbo kuboarding
school. Ndakatoshaya kuti vaive vazviitirei ini
maybe pane zvavakaona sezvo aive ongodzoka
kumba usiku mazuva ese.

Ndakazoona kwadoka asina kusvika sezvo


zvikoro zvainge zvinge zvakavharwa sazuro
wacho. Ndakandoti kuda anouya hake
mangwana saka ndaitomutarisira kumazuva
rodoka chaiko.
Ndakazoshamisika ndoona munhu tucha tucha
makuseni kuti ko aive akwira bhazi renguvai
sezvo kwaisava nebhazi remakuseni.

Ummmm mwana uyu ranga ratova basa chairo


ndaitotyira kuti anogonazve kutiparira imwe
mhosva vana vechikomana havatembewe.
Ndinotonzwa hangu vamwe vachiti mwana
wechikoma ari nani hapana nani veduwe
zvakangofanana mwana wechisikana akatenge
nani nekuti akaita musikanzwa mombe
dzinouya mudanga. Zvino isu tine muikomana
danga rinotoperaka ukaita zvekumusekerera.

Hezvo dzakaenda kwana Sofiso imwe


takatobereka , vari kungochuvha mukaka vana
mai Pame.
Handina kumurega akadero nekuti ndakaona
kuti mwana ukaita zvaanoda chokwadi
mangwana unofuma wochema mwana ndewe
kutofudza semombe.

Ndakabva ndangomugamha achingotsika


pachivanze tisati kana tambomhoresana.
Nhai Brian unoda kuti ndigare ndiri muchoto
nababa vako zvawakandiitisa pana sifiso
ndikaposa ndadzingwa pano nekuda kwako. Iye
zvino unoti tochacha tocha makuseni ano uri
kubvepi uye warara kupi kurumidza kutaura
chokwadi.

Zverwendo runo ndinopedzerana newe


ndakuona maitiro ako. Unoda kuzofuma woita
zvawakaita nyaya yose yosara iri yangu.
Brian. : Ndisina kana nekutura bag kose
mhama matondigamha nemhaka yei
zvamuchamera chisifiso pamuromo handiti
makamudzinga pano saka munoramba
muchingoimba zita rake mwana wevanhu
zvaachanzwa nzeve.

Me : Kkkkk rega ndiseke zvangu mwana


wemuera mhofu kwakanaka here kwawave
kumumiririra iye sifiso wacho ko zvawaimboti
ahumude wani nhasi anakei ?

Brian : Hezvo nhai mhama ko akambogara


akaipa here ? Dai maida kundivaka mungadei
musina kana zvenyu kugara matevera kuside
kwangu asi kuti maifanira kutotsiura ini mwana
wenyu , kwete zvamakaita mhamha
makaratidza kushaya moyo wekubereka.
Munhu akabereka anangamboiti sezvamaiita
zviya.

Me : Usade kundinzwa Brian kana kuita


fanika ukutaura nemwana wako kudaro ziva
zvaunotaura neni wazvinzwa here?

Brian : Ndikitoziva mhamha kana mune


moyo mune zuvawo here rimwechete zvaro
ramakambobatawo mwana wangu kuziva kuti
iri iropa remwana wanyu , chero maisada
zvenyu Sifiso asi maifanira kukoshesa mwana
wangu mhamha.

Me : Brian wakupinda memwenje


mudziva manje ziva wekuudza mashoko ako
iwayo uchenjere kutanda botso.

Brian : Kutanda botso nekuti ndakubvunzai


kuti nemhaka yei matadzawo kubata mwana
wangu. Mhama kana mozogara zivai kuti nyaya
dzevanhu vaviri vakaonana hadzipindirwe. Ko
ndikamuka ndichiti ndave kumuda sifiso wacho
munoita sei?
Follow this link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E
Her own decision

💔💔💔💔💔

By Linda mai Peace


0611169903

Chapter 21

*Brian*

Pfungwa yaSifiso ndakaifarira nekuti iye anga


akashinga panyaya dzechikoro handidi hangu
kunyepa.
Kushinga kwake kwakaita kuti neni ndinzwewo
kuwedzera kushinga izvi zvaizogona kubatsira
ramangwana redu.

Paakangondiudza zvekudzidza paholiday chete


ndakabva ndatoudza mudhara nezvenyaya
yacho.

Pandakavaudza vagoti vafa zvavo nekuseka


hanzi uchapinda wega mumuforo ukuzvionaka
kuti wakabhaiza manje wotongwara nekuti
ndiwe wakazvikanyira wega ini handizvipindire
chero muroora wangu akaita imwe sarudzo
ngaaite hake nekuti wakamuramba wega.

Munoziva kutaura kwamudhara kwaibhowa


veduwe chavaida chete kuti ndigare moyo
wangu uchirwadza chete chero ndimiwo
mashoko anotaurwa nemunhu mukuru here
iwaya. Handiti vanofanira kutsigira ini mwana
wavo here? Zvino ivo takatasima nekutaura
zvisingaiti chero ndimi baba chaivo voti
muroora ngaaite zvanoda, manje hazviiti uyu
ndinofa nemunhu chete mirai muone.
Ngapangoita anoda kuzvimisa misa pana Sifiso
haaaa apo ndinomira kuita mukono chaiwo.

Zvisinei handina hangu kuda kuvapindura nyaya


yavo ndaive ndatobhowekana ini aaaa .

Ndakazovabvunza kuti matii nezvandataura


daddy zvekuti ndoda kunodzidza paholiday.
Daddy : Ko ndingatii hangu vanoda chikoro
ndivo vatinofarirawo kkk wafunga
kumbonomurindaka pano paholiday kkkk unoti
anoendepi mwana akarairwa uya dai aive benzi
angadei akatoratidza upenzi hwake kare zvino
mai Tawe ndatya naye ini.
And ndave kutovimba naye ahana nguva
nezvizhinji nguva dzake dzose anenge
achifunga zvechikoro ndoona sekuti iwe ndiwe
watova futi imwe muyedzo futi mberi
kweupenyu hwake.
Kana kuchikoro chaiko maticha ari kungotaura
kuti mwana anoziva zvaanoita iyeye. Zvino
ukamuvhiringa zverwendo runo
tichatandanisana gara wazviziva hako.

Saka handidi kukanganisirwa muroora wangu


ndapota hangu fambira chimwe plus handidi
munhu ane musindo. Ziva kuti mai Tawe
wakamushainira kwenguva refu chaiyo saka
wotoita zvinhu zvako neuchengenjeri nhaika.

Haaaa zvamudhara waitoshaya kana mhinduro


yekuvapa ndakangonyarara ini ndaipindurei
hangu ipapa vaitova gonzo rairuma
richifuridzira.

Ndakangozovaudza kuti mangwana


ndaizotanga kuenda kuchikoro.

Vakati "pakanaka ", ndaitoziva hangu kuti mari


vaizonobhadhara ivo.

Ndakazomuka ndichigadzira zvekuenda


kuschool ndokuenda zvangu, ko moyo waive
wakachena kuti mbuuu sedivi redoto.

Ndainzwa kufara zvakanyanya kunyange


tainodzidza zvedu mumaclass akasiyana
zvaive nani nekuti ndaizoona wacho anenge
achida kutambira pedyo nemunhu wangu.

Ndakati kurumidzei nekuti ndaida kuenda


nekumba kunotora Sifiso kuti tisvike tese
pachikoro. Ko ndototi kumbaka handiti kumba
kwedu here kkk?

Nyaya imwe chete yaingondibowa yekunzi


mukoma naSifiso haaa iyo yaindibata bata
handidi kukunyeperai. Ndaitoshaya kuti
ndomurambidza sei munhu wacho ndaitotya
kuti kungomurambidza aigona
kuzonditsamwira zvekusatondida pedyo naye.
Saka ndaitofanira kuteedzera zvaanoda kusvika
tanyatso kupindirana zvemhando yepamusoro
chaiyo.

Ndakawana atopedza kugadzira zvekuenda


kuchikoro ndokusviko torana hedu toenda
pachikoro pacho.

Ndainzwa moyo wangu kufara ndichifamba


naSifiso wangu , but chinhu 1
chaingozondibowa kufamba takasiya 1metre
sevarwere vekorona pakati haaa zvaindibhowa.
Waiti ukada kuswedera paari aibvawo aswedera
kure. Kuita bhudhi nasisi chaivo handiti ndizvo
aida zvino kana pane waaida kuti afare kuti ndiri
brother yake ndaizozvibata chete kuwana
holiday yopera kana pane zvaari kuita
ndinenge ndazvibata chete. For now ndomboti
hapana chakaipa chaari kuita asi
kumuchengera handiregi.

Takazosvika hedu pachikoro ndokuparadzana


umwe neumwe opinda muclass make.

Ndakamuudza kuti taizoonana pabreak uye


ndakamuudza kuti toda kuzoenda pamashop
pabreak pacho, ko kwaivaka kuda kumbowana
mukana mywekumbofamba namadam kuti
vanhu vasamujairira kkkkk kuti zvityiseka
vagare vachizviziva kuti ane munhu wake.

Semunhu aive ogara kure ndaifanira


kutombopedza shungu dzekufamba naye plus
kupozera zvangu vanhu . Ko Sifiso wacho aiva
simbi chaiyo kana pari parunako zvese
nestructure aiva akaumbwa hake.
Waizombomuziva here kuti ndiye sifoso uya
aive awonda zvekuti chero shumba ikawana
akafa apa yaidarika.

Chokwadi mhama denga havaripindi havo


vanonotsva kusara pasina kana dota zvaro.

Ndaive zvino ndakateya kuti wese aisvika pana


Sifiso ndaitoda kunzwa chinangwa chake uye
chivavarirwa.

Ukaita zvekutamba mukadzi anoenda


sekutamba nevakangwara.

Break yakazosvika ndokutorana namai mwana


toenda hedu kumashop . Ko ndaimbove nemari
svinu here kwaingovawo kuda kuzama zama
kuti ndionekere ndakanotenga madrink
ndokunwa hedu nemabiscuits.

Hatina kuda kugarisa nekuti break yacho yainge


isina nguva yakareba selunch. Takadzokera
kuchikoro, takatosvika bhero rekudzokera
mumaclass richitorira.

Ndaive ndotoona kuti chokwadi Sifiso panyaya


dzechikoro anga akashinga and vanhu vazhinji
pachikoro apa vaingomurumbidza. Hanzi
mwana ane hunhu iyeyu plus akadzikama
haungambofungi kuti imvana. Kuzoti mvana
manje haaa raindibata bata hangu word iroro.
Moziva kune rimwe word rinongorerutsa munhu
so kungomuita fanika munhu pasina ndizvo
zvakafanana neword rekuti mvana hariite.
Lunch yakazosvika semarongero angu
ndakabuda ndakananga kuclass kwana Sifiso.

Ndisati ndasvika ndakasangana neumwe


mukomana ndikundimisa kwava kutanga
kutaura neni zvinyaya zvisina kana basa.
Makamboonepi munhu anokumbira kuve
mafreind handiti zvinongozviita zvega here?

Akatanga kutaura apa aitaura nyaya dzaisetsa


zvekuti ndakatozorivara kuti ndaiendepi.
Zveshuwa ushamwari hwanga hwatovepo
nekuti ndakatanga kutonzwawo kumufarira aive
munhu boe zvokuti. Ndakatoona uri iwo
mukana wandaive ndawaniswa wekuzofeya
maererano naSifiso.
Ndakazona Sifiso obuda muclass mavo ,
akatanga kutarisa tarisa mheno kuda aitsvaka
ini kana kuti umwe munhu ko ndingaziva
waaitsvaka here? Nekuti kutarisa tarisa kwaaita
zvaingove pachena kuti ane waari kutsvaka.

Ini aisandiona nekuti ndaiita


sendakavharidzirwa nemudhuri munhu
ainyatsoonekera mukomana wandaive naye.

Pasina nguva ndakaona head vobudu muoffice


mavo vomira pamukova , apa ndipo paive
pakamira Sifiso pedyo neoffice yavo.

Ndakaona Sifiso ofamba kupindamo zvinoreva


kuti vainge vamudaidza ini semunhu aive
nechekure ndaisanzwa zvavakataura asi kuti
ndakangozoona Sifiso opinda muoffice muya.
Pakarepo ndakaona kuvharwa kwedoor hana
yangu yakarova ndikati ko yave ipi iyi . Heya
ndiro basa raSifiso rekuvharirana nematicha
muoffice.
Ndakarwadziwa veduwe zvekuti face yangu
yakangochinja ipapo ipapo. Mukomana uya
akazongosara otaura pasina aimupindura
nekuti pfungwa dzangu dzanga dzave kufunga
parefu chaipo.

Ndakamuudza kuti ndozokuona shamwari ,


akatomboda kubvunza kuti ko wave kuendepi
ndikati pane zvandiri kuda paseri apo
ndokubata time time. Ndisatodawo kuti azive
kuti chii chaitora nzvimbo nekuti aive asina
kumbozvitaimira kuti kune munhu avharirwa
muoffice.
Ndakapota nekuseri kwemaclass ndaida
kunyatsoona chokwadi chese ndaisada kuita
dzungu. Ndiwo mukana wandainge
ndawaniswa naMwari wekuzvionera mabasa
aSifiso nemeso angu. Umwe moyo wakamboti
sezvo watoona zvaitika siyana naye ipfambi iyo.

Asi umwe wakati tenda waona saThomas,


ndipo ndakaita shungu dzekufamba nekuseri
kuya. Ndaida kunoita zvekuhwandira
ndodongorera nepahwindo ndaizozvionera
chete kuti ndiri kutopedza nguva yangu
kumhanyidzana nepfambi.

Zvaive pachena kuti vanhu ava yaitova game


yavo yekupota vachivharirana muoffice. Ini
hangu kwanga kwangove kuda kukugutsa meso
chete asi chokwadi ndanga ndave kuchiziva.
Ndakaita kunyahwaira ndichienda kuhwindo
reoffice,lucky randakaita kuseri kwemaclass
room kwaisambove kana nemunhu ndini ndega
ndaiveko.

Zvekuti dai kwaive nevanhu hobho


vaizondivhiringidzira tsoro yangu nekuti time
yavaindiona pahwindo vaizobvawo vada kuziva
kuti ndaionei vobva vatouyawo pahwindo paya.

Ndakasvika zvinyoronyoro pahwindo paya


ndokudongorera mukati.

Zvandakaona zvakandirovesa nehana ndaive


ndangoudyura meso ndiripo pahwindo paya.
Ndanga ndapererwa chaiko kuita kuoma mate
mukana.

*Baba Brian*

Tsoro yangu yaifamba zvakanaka zvayo asi kuti


Brian wacho aive nenharo aisada kubva pana
mai Tawe . Zvanga zvave kwavari mai Tawe
nekuti ini zvese izvi ndaizvitira ivo kuti vave safe
vasawana chinovavhiringidza chikoro. Asi Brian
aisada kugara kure navo ndakatoshaya kuti
zvakazobvepi kuti munhu aimboshainira munhu
kudaro ndiye ozodzoka oita fanika ave
kutopenga chaiko zvimwe zvinhu sooka.
Ndakazonobhadhara hangu mari yacho yaidiwa
kuchikoro kwacho kwaaive oda kunodzidza
paholiday hakusi kwaingoda kunomaka mwana
wevanhu ikoko, ko ndaidiwo chero ndimi
.Zvimwe zvinhu unopera plan kana munhu ave
kuda munhu wake dzinotoita sedzadambuka,
regai ndingotarisawo ndini ndinotozosara ndave
benzi vakaonana vadzokerana. Chakakosha
kubata mwana wevanhu zvakanaka chete.
Zvino mai vacho ndiro raive rimwe basa guru
chairo ndaitoshaya kuti asi vane ngozi here
kana kuti pane mweya uri pavari.

Ndaivaona zvangu vaida kuzama kuzviita


munhu kwaye zvino ini ndaisada zvemunhu ane
rudo rwekuvhara and ndaitovaziva kuti kuda
kundikwezwa kuda kundiswededza pedo kuti
nditi haaaa iyezvino vave munhu kwaye chaizvo.
Kana zvadaro votanga mabasa avo, zvino
zverwendo rwuno punishment yacho
yakatooma ndoda kuvapa gore chair,12 months
dzakakwana ndichivadzidza hunhu hwavo kuti
hunochinja here? Kana ndaona dzapera pasina
nyaya yakaipa yavaita ndinobva ndavaregerera
hangu nekuti ndinenge ndaona kuti vapfidza
zveshuwa.

Kubva musi uya wauya hanzvadzi yavo kusvika


nhasi uno ndikakuudzai munoti ndinonyepa. Tiri
kungorara sasisi nabhudhi takatozvipfekera
hembe dzedu.

Ivo mazuva ekutanga shasha yakatanga


icharara yakabvisa hembe asi yakazongoona
kuti iri kuzvipedzera nguva hakuna ari
kuicheuka. Ndokuzosiyana nazvo now yave
kurara yakapfeka hembe dzayo manje.
Nyaya yemaitiro aBrian ndiyo imwe yanga
yotonditemesa musoro aigona futi kuzovhiringa
mwana wevanhu chikoro . Ndaitoshaya kuti
ndingaita sei kuti vanhu ava vasaonana.

Ndaizoda kuti manheru kana adzoka kuchikoro


ndaida kumbogara naye pasi ndombotaura
naye ndichimuonesa kuda zvaizobatsira ,
aigona kuzondinzwisisa.

Ndizvo chete ndaigona kuita nekuti chero ari


kure asi paaidzokera pacho dzaitoita
sedzadambuka chaiko.

Ndaisave pakuputsa mwana wangu kwete


muroora ndaimuda zvikuru ndiko kusaka
makaona ndakasarudza kuti aende kuchikoro
uye kuti awane pekugara pari safe.

Ndaiitira kuti ramangwana rake chero vazogara


vese naBrian ahaizomudzikisira sezvaaita
nekuti anenge akadzidzawo uye anenge ave
kuzvishandira. Zvino iye Brian akaita
zvekutamba ndaona ari iye azochengetwa
nemukadzi nekuti maitiro ake achafoira chete
njere dzake hadzisisi kuchikoro.
Dzave kungoona Mai Tawe chete kkkk ndiyewo
adii mwana wangu regai abvunde aive
ambobhaiza but kutaura pafair Mai Tawe aripo
zvake anoonekwa neatanga. Chaakanakira
munhu wacho akazvibata, harisi chapa dai
asina kuzvibata tingadai takaona zvimwe
pachikoro.
Zvino ndinongoda kutenda hunhu hwake.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision

By Linda Mai Peace

0611169903
Chapter 22

*Brian*

Ndakaramba ndakayeva ndiripo pahwindo paya,


ndaimboziva kuti Mwari vane favor zvakadaro?

Murume anga akatakura iyeye ndakatya naye ini


zvekuti kubata munhu nayo chaiko ummmmm
hapatodi dzokororo kungorova ka1 munhu
anenge atonaka kare.
Ukuwo Sifiso aizama kurwisa zvekuti dai
aisarwisa ndingadei ndakawana purazi
richitoondongwa zvaro. Airatidza kusatoda
ndakaramba ndakaukera zvangu firimu
remahara mwana sikana wevanhu anga afuta
zvaitotyisa nehasha. Zviya zvangu zvekuti Sifiso
akachipa kungokwevera musango ungazvitaure
pakadaro rume guru ranga raoneswa moto
richida kuti rimurigire pasi ripinde zvaro.
Asi raikundikana Sifiso aive nesimba guys
zvekuti ndakatombonyemwerera ndiripo
pahwindo paya. Ndaitozvikuza kuti wangu
mukadzi ahaitwe zvisina basa. Ndakaramba
ndakamira chete paya zvichingotsutsurutsana
dakara ndaona Sifiso azokundwa ndokuwisirwa
pasi ndofunga aive aneta nekuti anga abva kare
achitsutsuruswa kuti adonhedzerwe pasi asi
airamba.
Awisirwa pasi kudaro anga aneta rume rikati
chance given , ndakaona roita kumutanyanga
apa bambo vaingosaluta kuratidza kuva neuturu.

Ndakaramba ndakamira chete ndakatarisa


ndakazoona zvino shasha yave kuzama
kuvhura Sifiso makumbo mwana sikana
akambozama kukiya makumbo ake asi
zvakashaya basa anga aneta saka anga
okurirwa. Pandakaona avhurwa makumbo
shasha yoda kuchipinda hayo ndipo hana yangu
yakati bhaaa kurova zvine simba.

Ndakangobata window riya one time


ndichirivhura harina kundinetsa sezvo rainge
rakavhurika zvishoma. Handina kuona kuti
ndajambira mukati sei ?
Head vaive vatove busy kuda kukohwa pavasina
kushanda saka kuuruka kwese kwandakaita
mukati havana kana kundinzwa.

Pandakajambira mukati handina kuda kusvika


ndichiwira pasi kwete.

Ndakazeya ka1 ndirimo mumhepo ndikusviko


gara Head nebutsu makumbo ese kumeso
chaiko. Ndakavatora zvekuti vakanosvikoti ndii
kumadhuri ndakasimuka zvakare ndichidzokera
mudenga apa ndaive ndoda kuvapa
yepachipfuva manje ko handiti kuchikoro taive
neumwe ticha aitiitisa zvewresling but taizviita
muchivande taitomubhadhara ticha iyeye
mudhara ndivo vakangozondifuvisa kundichinja
chinja.
Now ndakasiira zvidzodzo zvangu zvekurwa
panzira but ruzivo ndaive narwo uye tanga
takakomekedzwa kuti tisaratidze kurwa kwedu
uku pese pese.

Taitozviita kana zvaoma uye kuzvidzivirira kana


zvaipa.

Zvino vakuru ava ndaida kuvaratidza gwara


chairo kuti uori ahuitwe.

Panguva iyoyo Sifiso akabvawo amuka paye


paaive kushandirwa.

Handina kumboona Sifiso akagumbuka


zvakadaro guys and ndakabva ndega
ndatozviona kuti paya pandakamupa mwana
chokwadi ndaive ndatomubatira hwaive
huhwanana zveshuwa. Njere dzaive diki zvekuti
hakuna chaizikanwa.

Paakasimuka paya ndakaona munhu kusimuka


ari speed kuita fanika munhu asvikirwa
kumanyanya manya neoffice yese
ndakatombomira kurova munhu uya nekuti
ndaive ndotoshaya kuti ko yave ipi iyi
ikutambwa naSifiso.

Ndakaona ovhomora rimwe puranga raivamo


ndikaziva zvazvaireva ndakati regai ndimupe
chance sezvo munhu aive achakarara paya
pandaive ndamukika nebutsu.
Musatambe nevakadzi guys kune vamwe
vakadzi vanotsamwa.

Ndakatoona kuti pano paipa paigona kutoitwa


ngozi tikauraya munhu.
Saka ndaida kutaimira kuti Sifiso asarove
nzvimbo dzinouraya nekuti puranga racho raiva
gobvu uye raibatika zvekuti munhu ainyatsorova
zvaanoda.

Akarisimudza 1 time nemaoko ese


ndokuridzosa akananga mumusoro chaimo,
ndakabva ndangorigamha ndikati
kwete Sifiso usarove musoro unouraya munhu .
Rova pamwe pese paunoda asi musoro
usambougunzwe zvako.
Haaaa pakashandiwa munhu zvekuti murume
mukuru akazobowa semombe. Vanhu
vakazonzwa mhere ndokumhanya kuungana
pamukova paya apa door ranga rakalockwa.

Apa vakuru vaye vaive vasina kumbodzosera


junior mubhurugwa. Chemusi uyu pachikoro
pakaitika chiman'a chaicho. Uku Sifiso
aingobinha chete murume mukuru akadeketera
kukumbira ruregerero asi Sifiso akati
handikuregi ndiwe munhu wepiri kuda
kuvhiringidza upenyu hwangu iwe ndiwe
uchaudza vamwe kuti munhu ahamanikidzwe .
Plus unofanira kuita kune vanozvida kwete
munhu wauri kuona kuti ari kuramba iwe
takarasima kuda kundibata nxaaaa .

Hamenowo kuti senior ticha vakazowanepi


amwe makey ndokuzoti bhengu door.
Ndokuwana mukuru achiti rabada zvino
hugamba hwese hwapera kuti tsvai.

Kunotarisa kudai wanikwe vakuru vari panze


zvino vanga vasiti una una kusvava ko nguva
yekuti vadzorerwe mubhurugwa
yakazombowanikwepi.

Senior ndivo vakatozoita basa rekudzosera


sekuru mubhurukwa.

Sifiso akazotaura zvakandiomesa mate


mukanwa zvekuti ndega ndakanzwa muviri
wangu kuzuzuma.
Sifiso : Thanks baba Tawe waita hako
wakwanisa kumira neni ukandinunura mukana
meshumba ko dai wanga usipo ndingadei
ndaitiwei nezibhinya iri.

Akatanga kuchema mai Tawe zvaipisa tsitsi


ndakabva ndamubata ruoko ndokutanga
kufamba naye ndichibva pachaunga chiya
ndakanga naye kumba apa ndichimunyararidza.

Ndaiti tikati fambe fambe ndomupukuta


misodzi apa neniwo ndakapedzesera
ndochemawo. Iye ndiye akazopinda busy manje
nekundinyaradza.

Ndaive ndofunga kuti ko why ndapedza nguva


ndichiukera munhu achishungurudzwa kudaro.
Chokwadi ndaive ndakanganisa ipapo asi
neimwe nguva dai ndangosvika ndichiita papasi
pamwe ndingadei kutaura kuno ndichibulema
Sifiso kuti manga muchizivana nahead.

Asi ndinoda kutozvitenda kumira kwandaita


kwaita kuti ndizive chokwadi uye kuti Sifiso arisi
chapa mukadzi anoverengwa pane vamwe
vakadzi.

And zvose zviya zvandaiti akachipa kubva nhasi


mukanzwa ndichiti Sifiso akachipa ndichekei
muromo iwoyo muurase.

Sifiso igamba vashoma vakadzi vakaita


saSifiso nekuti head vanga vachitozama
kumuudza kuti ndinokupa hangu mari yaunoda
asi iye ahana kubvuma.

Zvino vazhinji vedu kungonzwa rekuri mari


aaaaa munenge matobvuma kare.

Sifiso aive mukadzi anoverengwa pane vamwe


vakadzi. Rudo rwangu rwakabva rwaita
kupfachukira chaiko ndakaona kuti zveshuwa
panga pasina iripo.

Ndaive ndave kuzvirova chifuva ko Sifiso anga


andidaidzawo kuti baba Tawe pakazara vanhu
guys, zvekuti vanhu vese vakabva vangoziva
zvazvaireva.
*Baba Brian*

Ndakanzwa ndofonerwa navamwe ticha


vaidzidzise kuti svikai kuno hakuna kumira
mushe. Ndakamboda kubvunza kuti ko
kwaitikei asi ahana kuda kutaura akangoti
chitopindai munzira izvezvi.

Handinawo kuda kunonoka semunhu ainge


arohwa nehana kuti chii chaizvo
chandaidanirwa ndakatongotora makey angu
emota nekutopinda mumota nekutonanga
kuchikoro. Munoziva kuti ukadaidzwa
ukasaudzwa nyaya yawadaidzirwa unenge
uchingoti bate chino siye bate chino siye.
Pfungwa dzangu dzaingofunga kuti angave
Brian aita musindo here kana kuti akuvadzwa
haaaa hana yangu yakanga isisina kugadzikana
zvachose.

Ndakarova mota ndaive ndatononokerwa


nekusvika nekuti ndaida kunonzwa uye kuona
kuti chii chainzi hakuna kumira mushe.

Ndakasvika paprimary ndokuona pasina kana


vanhu ndokumufonera back ticha uya kubvunza
kuti wati ndisvike kuchikoro inga ndave
pachikoro ko uripi?

Akapindura kuti nduye kusecondery ndiko aive,


handina kupedza nguva ndakabva ndatosvikapo
pasecondary pacho.

Ndakashamisika kuona vanhu vakaungana


paoffice yemukuru wechikoro.

Ndakamisa motokari yangu nechechinhambwe


mbichana , ndokufamba kuenda kuya kwaive
kwakamira vanhu. Ziso rangu raingomhanya
mhanya kutarisa vangu vana Brian namai Tawe
asi handina kuvaona. Hana yangu yakabva
yatombogadzikana nekuti zvaive pachena kuti
kuungana kwaive kwakaita vanhu zvaisave
nechekuita navo.

Ndakazoshamisa ndonzi ndipinde kuoffice


ndokuona head vakarara apa vanga vakakuvara
kumeso .
Zvakatondinetsa kuti ko zvaifamba sei?

Handina kumbobvunza ini asi ndaitodaka


kupirwa nyaya yacho handiti ndivo vaive
vandidana saka zvaisave nei neni nekuti
ndakaona vana vasipo paive nevamwe saka
ndakaziva kuti zvaisave nechekuita navo.

Vana vechikoro vakazotanga kudzingwa kuti


vachienda zvavo kumba but nguva dzanga
dzisati dzakwana.

Ndaivewo ndangoti kanha nazvo ini ,head vaya


vakatanga kuzama kumuka paya pavanga
vakarara . Ummmmm vanga vakuvara kumeso
kuzvimba kuita zvimwe. Kumeso ndiko
kwaionekwa chete nekuti vanga vakapfeka shirt
yamaoko marefu.

Vakazoshinga semunhu wechirume ndokugara


pane imwe chair maive nevanhu 4 maticha
epachikoro ipapo kozoti 1 wekuprimary anova
ndiye aive andifonera neni naivo head saka tese
taive 7 kuoffice umu.

Ini ndaive ndoshushikana zvino kuti chii chaive


chamboitika chaizvo.

Ndakazoti hezvo ko ndingatofira mukati


sesokisi regai ndibvunze tinzwe kuti chii
chikutora nzvimbo.
Pamusoroi veduwe nini ndasvikawo izvozvi
saka ndiri kutoshaya kuti chii chiri kutora
nzvimbo ko head vaita sei kuzvimba kudai asi
pasvika mbavha here dzikavarwisa?

Umwe mudzidzisi ndiye akapindura akati hezvo


ko hamusi kuziva here kuti vakuvadzwa nevana
venyu. Hatisi kutozivawo kuti zvafamba sei
👮
tanga tichitoda kudana (porisi) asi ivo head
ndivo vatorambisisa. Asi vakuvadzwa zvekuti
chero varamba zvavo asi kuchipatara
vanotorapwa kana vaenda netsamba yepolice
ndiko kuti varapwe.

Me : Vana vangu vapi vava kuvadza?


Ndakabvunza hangu hana yangu yaive yotorova
ndakangoziva kuti ndiBrian zvino aive avarova
nani ?

Nekuti ega ahaimbogona kurova dasvanana


rerume rakadai akarikuvadza kudai iye ndiye
aifanira kukuvara.

Ipapo hana yangu yakatotanga kurova


zvakanyanya ndakabva ndatofunga kuti pamwe
mwana wangu ndiye atonyanya kukuvadzwa.

Ndakabvunza kuti saka Brian ar kupi uye


ahanawo here kukuvara plus ko umwe wamati
anga aripo paitika musindo wacho ndiani ?

Vanhu vakatanga kutarisana vamwe ndivo


vakazoti zvave kuda head ndivo vanotoziva kuti
zvafamba sei uye kuti chii changa chaitika .

Head vakazoti pamusoroi mose dai


mambobuda ndiwane mukana wekutaura
nababa vaBrian.
Vamwe vose vakazobuda havo asi vairatidza
kutsutsumwa nekuti vanengewo vaida kunzwa
kuti chii chaive chaitika.

Munhu wese airatidza kusaziva kuti musindo


waive watanga sei ini ndakazongoti regai
vabude kwacho nekuti ini ndaive
ndatononokerwa kuudzwa nekuti ndaida
kutarisa mwana wangu kuti ainge ari kupi uye
aive asina kukuvara here?
Ndakatoona kuti head vari kutoda
kunditambisira nguva nekuti moyo wangu
wainge usisiri panzvimbo.

Chii chaitika VaChimuti ndoda kuziva


nekukasika uye ndoda kuona kuti mwana
wangu ari right here? Nekuti kukuvara
kwamakaita imi kuzoti iyewo hake ndoda kuona
zvekuita nenguva ndigomhanya naye
kuchipatara.

Head vakaseka havo asi zvaive


zvekutomanikidza chaizvo vairatidza
kurwadziwa.

Vakazotanga kurondedzera asi vakatanga


kubvunza kuti Sifiso chii chenyu?

Ini ndaida kunzwa kuti chii chaizvo chainge


chaitika iye munhu akubvunza zvimwe
zvimubvunzo zvisina kana nebasa rose.

Ndakangoti regai ndipindure tinzwe kukuinda


nyaya yacho.

*Ndakazoti mwana wangu*.

Iye ndokuti saka Brian ihanzwadzi yake here?

Moziva imwe mibvunzo yaisave nechekuita


naye ndakazoti ko zvamboita seiko ndinoda
kunzwa zvaitika ini ko zvimwe zvese zvamave
kutsvagurudza munozvidiiko?

Head : Ndipo pane nyaya ndinokumbirawo


ruregerero nekuti apa hapachina chekuvanza
nekuti zvinongobuda pachena . Ndanga
ndachochora hangu mwana wenyu chokwadi
ndanga ndichida kuita unhubu chaiho ndichiti
kuda zvaane mwana tinobva tangowirirana asi
hazvina kufamba sekufunga kwangu.

Akambomira head ombotura mafemo ndaive


ndatoziva pane nyaya kkk saka aireva kuti anga
asakadzwa naBrian kudai.

Akazoenderera mberi ndokuti chokwadi


ndakutadzira umwe wangu ndinoripa hangu kuti
musandisungisa chero zvamareva ndobvisa
hangu shuwa ndinzwirewo tsitsi .

Ndakabvunza kuti ukureva kuti haudi here


kundirondedzera kuti chii chaitika
zvowomhanyira kuripa asi wabata muroora
wangu chibharo here nhasi ungandione satan
wemunhu?

Ko zvekuti ndaive ndamboti mwana wangu


zvaive zvichambofungwa nani ndaive
ndatoshatirwa zvekuti Brian aive amutambisa.

Ndizvo aive adzingira vanhu kuti andiudze


tsvina iyoyo ndakatosimuka ndokutotanga
kuwunya maoko eshirt yangu.
Munhu uyu aisandiziva pana mai Tawe
ndaisada munhu anovhiringa muroora wangu
nenzira iyoyo aive adii kuita zvekupfimba kana
achidiwa odiwa kana achirambwa osiyana naye.

Paakaona ndave kugadzira maoko eshirt


akatoona kuti zvanga zvisisina kumira mushe
nekuti ndaive ndashatirwa zvekurevesa.

Mutambo wanga watotsvuka ropa zvino iye


akabva angogwadama pasi nguva yacho ,
ndokutanga kudeketera achikumbira ruregerero
kuti kwete handina zvandamuita. Ndipei
mukana ndirondedzere hapachina chekuvanza
apa asi ndinokumbira kut
i mugare pasi nemhuri yenyu musandisungisa
henyu ndapota.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision

By Linda Mai Peace


0611169903

Chapter 23

*Headmaster*

Ummmmm kunyara ndokuziva ini musi uyu


ndakashaya kuti ndopinda pai.Ko ndaizivei
ndaiti ndichangoita zvangu zvandaive ndajaira
nekuti vana vazhinji pachikoro ndini
ndaitodambura tsinga asi ndaivatsindidza
nekuvapa mari kuti vasataure. Kana nhumbu
chaidzo vazhinji vacho ndaive ndavamitisa asi
ndaitove nanurse wangu wandaipa mari
achibvisa nhumbu idzodzo muchihwande.
Asi kana nguva yekuti chakaipa chifumuke
chokwadi unofumurwa nemunhu wawanga
usina kutarisira.
Ko ndaizvinyepera kufunga kuti kana munhu iri
mvana anenge akachipa izvo bodo.

Asi zvandaifunga uye zvandaive ndakajaira


hazvisi izvo zvakazoitika , kune vamwe vana
vasinga jairirwi. Unenge uchifunga kuti zvaane
mwana wake saka ahandinetsi ndiye
akatochipa.

Vakadzi vazhinji kana akangoera aita mwana


chete anenge asisatyiri muviri wake inenge
yangove dhiura watiura. Asi pana Sifiso ndaive
ndatamba nezvimwe, mwana anga asina
kumira mushe iyeye.
Kana riri simba raaive naro sokaa ummmmm
unotoita fanika uri kukikiritsana neumwe
murume.

Zvakatora nguva yakareba kuti ndimuhwinhe


kwaive kwangova kushingirira sezvinhu
zvandaive ndatanga asi kutaura chokwadi
ndainyatsoona kuti pano ndikaita zvekutamba
tsoro yangu inofa.

Ndakaramba ndichishinga kurwisana naye


chete ko yaive yatove hondo chaiyo zvekuti dai
ndakaziva zvaive mberi ndakakurumidza
kusiyana naye.

Ndakambozama kutaura kuti ndinokupa mari


yaunoda Sifiso asi zvose izvozvo akazviramba.
Akazosvika pakuneta hake asi waingoona kuti
apa ndamuhwinha zvekushinga and ndiyo
yaitonzi rape kutaura pafair aisada mwana
wevaridzi.

Munongotizivawo vanhurume kuti ukaera


wazvitanga hazvizodi kuti urege kuchiita
mutambo wacho, unotoita bhoo wapedza
mutambo wacho.

Pandakaona munhu wangu aneta ndikati Mwari


kudzwai . Ko zita raMwari tinorishandisa pese
kana pakuita mabasa erima unongonzwa
munhu chero abudirira kuba chaiko
unongonzwa achiti Mwari maita basa.

Ndakatozona kuti sezvo anga aneta zvanga


zvave nyore kwandiri kuti ndichipinda hangu.

Pandaive ndoda kupinda akamboda kusunga


zvimakumbo asi ndakangozvipatsanura nyore
nyore.

Kunoti ndichinoti , ndakanzwa ndamharwa


kumeso kuti nditi chii ndakatoshaya panguva
yacho nekuti door ndaive ndakakiya.

Munongonzwa guys ndakakikwa zvekunorovera


kumadhuri chaiko.

Ndisati ndamboona kuti ko chii changa chave


kuitika ndakanzwa ndamharwa futi zvakare,
ndakabva ndangoti kunja kumadziro kuya
ndanga ndatopedzwa kare zvekuti kana simba
rekusimuka ndakarishaya.

Asi ndakangogona kuona kuti aive Brian brother


yaSifiso. Ndipo ndakatanga kuona kuoma
kwezvinhu zvose ipapo.
Ko kuzoti iye Sifiso wacho kuita seasvikirwa
kundirova nepuranga uku Brian anga akamira
akaukera zvake ndichisakadzwa.

Kana simba ndaive ndisisina raive repedzwa


nemabhutsu andaive ndapihwa naBrian. Asi dai
kuchinzi akandiwana ndichitoita ndaizowanawo
zvisimba zvekutaura kuti tanga tawirirana chero
kwaive kunyepa hangu asi ndaizowanawo kuda
kuzvibvisa pamhosva. Zvino apa panga
pakangooma nekuti ndaive ndawanikidzwa
ndichirwisana nemwana wevaridzi aisatodawo
hake zvachose kuratidza kuva innocent. But
varume vazhinji denga hatiripindi hedu kutaura
chokwadi musafunga kuti ndini ndega ndinoita
izvi varume vazhinji ndiro basa ravo vashoma
varume vasingaiti uori panyaya dzesex idzi
zvekuti dai zvichinzi Mwari aizviti bvuuuuuu
pachena chokwadi vanhu vaitemana
nemasanhu mamarriage mazhinji aiparara.
Hama nehama dzaitemana nekuti kune vamwe
vasingashongi chero vana vehama dzavo
vanotora vachiita vakadzi kutaura chokwadi
nyika yakatakura kurema hama dzangu dai
Mwari matibatsira takuzivai tasiya mabasa
anonyangadza pauso hwenyu.

Nguva yekuti hunhu hwangu hubude pachena


yanga yasvika chokwadi ndipo pandakabvuma
ndega kuti hakuna chakavanzika chisingafi
chakabuda pachena.
Ndakambotanga ndakanyarara nekuti ndaitya
kuti ndikaita noise vanhu vaizoungana kuda
kuziva chaitora nzvimbo.

Asi ndakazoikwatsura mhere, paya


paunoshinga kunyarara unenge usati
washandirwa chokwadi musi uyu ndakarohwa
nemunhukadzi zvandisati ndamboita upenyu
hwangu, apa mwana mudiki futi. Apa
aisasarudza nzvimbo dzacho dzaairova
aingorova chero kumeso chero ndimiwo henyu
ko akanditushura meso ndaizoona nei? Unoziva
paya paunowana simba rekudzosera unenge
uchiona kuti hauna mhosva. Chero futi dai
ndakada kudzorera ndaizokuvara naBrian nekuti
maflyiro aakaita paakandipa double kick
kumeso ndakatoona kuti munhu uyu
akatotrainer zvidzidzo zvekurwa, saka
ndakatoona kuti chero ndiri muhombe
pamakore asi pakurwa ndanga ndaita mwana
mucheche.

Brian wacho aitori zero refirst born yangu


,zvekuti nababa vake taingori mazero mamwe
chete.

Vanhu vakazoungana pandakaridza mhere paye


hameno kuti vakakiyinura sei ko ndaimbozviona
hre ini ndaive busy kurikitwa nepuranga
naSifiso.

Musi uyu ndakazviudza kuti ndiko kuguma kuita


mabasa ehuori ndaipabuda here apa chokwadi
ndaive ndanyadzisa handidi kunyepa. Kana
kuchurch chaiko ndaive ndoda kuenda nekuti
hazvizodi kudai kumunhu anoremekedzwa seni
kana chobvondoka unoshaya pekupinda
*Ko vakandisungisa ndaizoita sei?*

Chokwadi varume ngatiregei kudya zvevapfupi


nekureba nekuti rimwe zuva zvinokuwana chete
gava parinodambura musungo ndipo paunoona
kuti ahuna kungwara.

Vanhu pavakapinda ndakanyepedzera kuita


munhu anga akuvara zvakanyanya ndaisada
kuti vandibvunze kuti zvaive zvafamba sei?

Ukuwo sifiso akabvawo angobuda naBrian


ndikati ishe kudzwai.

Baba vacho vakazouya hamenowo kuti vanga


vadaidzwa nani ummmmm panga pandiomera
ndakanyara hangu veduwe kushaya kana
pekunyura zvekuti dai pakaita mwena musi
iwoyo ndaitopinda ndikasaonekwa nevanhu.

Ndakazoita zvivindi semunhu wemurume


ndokuti kuvanhu chimbobudai, ndaida kusara
nababa vasifiso. Ndaida zvakare kuti titaure
pachirume ko ini ndaive ndambovaitira favour
wani kubvuma mwana wavo nemwana wake
pachikoro saka vaifanirawo kundiregerera pane
zvaive zvaitika.

Munhu munhu guys ungazovaziva hre kuti ndivo


vaya vandinosibatidzana navo nguva dzese
sezvo tiri mahead tese.

Pataive totaura nyaya yacho ndakaona munhu


okunya hembe kuda kundipamha futi kundirova
ummmmm ko ndikafa nekurohwa vanhu
vaisave netsitsi shuwa. Chero munhu atadza
asi vanhu munofanira kuita moyo werudo.

Ndakatoona kuti pashata ndokugwadama


kuzvininipisa chaiko ndichikumbira ruregerero .
Uye ndakavaudza kuti ndaizovaripa havo chero
mari yavanenge vachida.
Ndakakumbira zvakare kuti vasandisungisawo
nekuti basa raizopera.
Vakamboda kuomesa musoro asi
vakangozondinzwawo havo vakati vaisada
kuripwa.

Takangozotaura pachirume asi vakandiudza


kuti zvigume nhasi and vaisada kuzofa
vakanzwa futi kuti ndaita zvakadero chero kune
umwe mwana wechikoro chero kuti ndadana
nemwana wechikoro. Vakati ndokadzokorora
kuita nyaya yakadero vaizomutsa nyaya yacho
vobva vandisungisa.
Panga pakangooma kani apa chero kunorapiwa
chaiko ndakatya ndakanyatsoziva kuti
zvaingooneka kuti kwaive kurohwa chaiko asi
ndaifanira kuita plan nekukurumidza. Kuramba
ndiri pano zvaisvodesa munhu wahead
anofanira kuziva mutemo ndinizve ndaive
ndotyora mutemo wacho ko zvino maticha
aizodii , aizodzidzei pandiri chaizvo.

Ndaifanira kubva pachikoro apa better ku


transfare hangu ndoenda kune chimwe chikoro
nekuti nyaya iyi inogona kundinyudza kana
Sifiso akada kusimudza musoro.

But imwe nyaya yataurika paya handina


kuinzwisisa nekuti baba vasifiso vamboti
muroora wangu aaa kureva kuti
zvinombofamba sei rega ndisiyane nazvo ko
ndichinei nenyaya dzacho ini ndatonyadzisa
kare.

*Baba Brian*

Ndakangozoona hangu kuti sezvo head ava


paiva pasina zvavaita muroora wangu
handaifanira kunyanya kuvaomesera nekuti
handisi ini Mwari .

Mwari pachavo vanoregerera vatadzi vanenge


vatoponda chaiko, kana akangoenda
achibvuma mhosva yake Mwari
vanomuregerera.

Saka ini ndaizonyanya kuomesa ndakamira sani


iye munhu aive abvuma kuti zveshuwa anga
abatwa nasatan. Saka ndakaona kuti ini
pachangu handingagoni kutonga nedemo
mutongi wazvose ariko kumusoro kudenga. Asi
dai zvichinzi vaive vamubata chibharo haaa
apo yaizoenda hayo kupolice.

Vazhinji vedu ndinoona muchine moyo dombo


moyo wekusaregerera ngaubve pakati pehana
dzedu nekuti moyo iwoyo wakavangarara
uchatitadzidzisa kuenda kudenga.
Tichazvinyepera kuti tinonamata asi pamberi
paMwari chaipo tinenge tiri vanyangadzi.
Ngatiregei kutonga nedemo hama dzangu kana
munhu abvuma mhosva yake ngatirerutsei
moyo.

Variko vamwe ndyire vanoti kana paita nyaya


seizvozvi vanototora mukana iwoyo
kubhadharisa munhu. Seizvozvi head vaive vati
ndinoripa hangu asi ini ndati bodo ndinovaripisa
ndakamira sani ndini Mwari here? Kana iye mai
Tawe wacho ahana kubatwa kwacho nekuti
head kana vanga vasinga nyepi hameno nekuti
vataura kuti handina zvandazokwanisa kuita
nekuti Brian anga atopinda nepawindow.

Vataura zvakare kuti bhutsu dzavapihwa


naBrian uye masvetukiro aanga achiita azvisi
zvega hanzi anotaridza kuve munhu akatireniwa
chete. Zvakatondinetsawo
ini nekuti Brian anga asina kumbotreniwa.

Ndaizonobvunza iye Brian wacho ko zvevana


ungazive here zvavanoita kuzvikoro kwavo.
Ndakazobuda zvangu muoffice muya ndoenda
kuti ndimbonoona Brian ndiye aigona
kuzonditsanangurira kuti zvave zvafamba sei?
Ndakasiya ndavaudzisa head vaya zvekuti kana
vaizorambira pachivi yainge yave mhosva yavo,
pangu ndaive ndasakura ndikazunza.

Pandakabva paya ndakabva ndangonanga


kumba kwana mai Tawe.

Ndakawana shasha dziriko apa vaitarondedzera


nhenhi waTawe zvaive zvaitika vachifa zvavo
nekuseka.

Ndakasvika ndokudeedza Brian kuti auye ,


ndaida kutaura naye pedu tega ndaida kunzwa
mamiriro enyaya yose . Ndaida kuona kuti head
vaive vataura chokwadi here ?

Asi nemutauriro wavaive vayita zvaingoratidza


kuti vairevesa. Nekuti kwandiri vakanyatsotaura
kuti pane zvose zvaitika hapana kana chimwe
chete chandasiya.

Takatorana naBrian ndokumubvunza zvese


zvaive zvaitika akataura zvese hapana
pazvakapesana nezvaive zvarondedzerwa
nahead .

Ndakamubvunza kuti aiona sei nyaya yacho uye


aida kuti zviitwe sei?
Ndaida kumbonzwawo mafungiro ake
tozotangira ipapo tichienda mberi.

Iye Brian akati sezvo head vasina kuzobudirira


patsoro dzavo zvanga zvakangonaka kuti
tisiyane nenyaya yacho nekuti nemurohwero
wavazoitwa namai Tawe kana vari vekupfidza
vapfidza havazvipamhidze futi. Zvave kwavari
ivo hameno kuti vachanozvirapisa sei ? Isu izvo
hatichinei nazvo zvave kwavari nekuti ndivo
muparadzvongo. Pese pavada tinosvika ndiripo
ini witness ndinonoimirira nyaya yacho ivo
ndivo vanotonyura nenyaya yavo.

Ndakaona kuti Brian aitove nenjere dzemunhu


mukuru chaidzo.

Takazowirirana kusiyana nenyaya yacho


sekutaura kwaive kwaita Brian and neniwo
ndanga ndatomuregerera kare head wacho.

Nyaya hombe yanga yavepo ndanga ndotyira


muroora wangu kuti anozomakwa nahead
pachikoro nekuda kwenyaya iyoyi.

Ndakatanga kudzeya nyanya yacho ndave


kuenda kumba hangu ndaive ndega Brian aive
ati aizotevera apa kwanga kwatodoka.
Ndakatoona kuti ndaifanira kugara
ndichiyeuchidza kuti mwana wangu akangofoira
chete taizonetsana nekuti zvinenge
zvakonzerwa naivo.

Imwe nyaya yaive yekuti vana ava zvazvadai


vanogona kuita futi zvimwe kutomitisana
chaiko. Zvino ini hazvisizvo zvandanga
ndakatarisira ndakatarisira kuti vese vari 2
vadzidze vapase vagadzire ramangwana ravo
rijeke.

Zvisinei vanofanirawo kungwara zvino


ndingavaudza sei nyaya yakadero. Ndizvo
zvinofanira kuitwa namai Brian , kugarawo pasi
nevana vachivaudza zvinoshandiswa. Kuitira
kuti vasawana chinovavhiringidza fundo yavo.
Zvino mai Brian vacho ndevapi ivavo usiku
hutatu chaiho hakuna kana chinozikanwa utsi
zvaho hunongopwititika huchienda mudenga
kusatoziva kuti huchasvika pakupararira pasina
kwasvikwa.

Dai vaifunga pasina zvese zvinyaya nyaya


izvozvi, busy kungofunga kuvenga mwana
wevanhu asina chaakavatadzira.
Vakainzwa nyaya iyoyi unotonzwa konzi
vavoziva ,vakagara vachidanana. Ko
kumbowanawo nguva yekuti pagova munhu
unomuudza zvese nekumupembedza.

Ini hangu kutaura chokwadi kubva musi


watanga kusvika mai Tawe mumusha mangu
handina chandakambomushora kana chimwe
zvacho.

Ndakazosvika kumba ndaida kuvaudza nyaya


yaive yaitika asi moyo wangu wakarambisisa .

Saka ndakatoona kuti zvine zvazvaireva.

Ndichisvika pamba ndakatambirwa nemibvunzo


yakawanda. Kwanga kwaitikeiko iko
kwamafonerwa,chii changa chaitika
ndazvinzwa muchifonerwa?

Me : Hakuna changa chaitika inyaya


dzechikoro dzisinei nemi.

Mai Brian : Aaaa hooo ndaonazve kunonoka


kudzoka ndikati mheno zvanga zvaitika.

Handina kuzoramba kuda ndichiyeuchidza navo


nekuti ndaizviziva kuti nyaya yacho yaizosvika
kure munhu achida kunzwisisa zvinhu iko kuti
kukwapa chaiko. Kuitira kuti mangwana
vazofuma vowana chekutaura uye kupomera
mwana wevaridzi.
*Mai Brian*

Chero zvavo baba ava vakada kuvanza asi


ndaive ndanzwa vachitaura pafon vachinzi
svikai kuno nekukasika hakuna kumira mushe.
But iye zvino varikuita fanika pasina nyaya ko
changa chichinzi hakuna kumira mushe chiii?

Ummmmm iyezvino ndazonyanya kuvarairwa


kuita kurara nezamu mukanwa chaiko.

Ndinofanira kuitsvaka nyaya iyi ndiko kuti


ndizive kuti chiii chiri kutora nzvimbo chaizvo.
Ko iye Brian now akunodzidzazve paholiday
kune chimwe chikoro apa anodzoka usiku.
Kubva zvaauya kuholiday ahana
zvaanombondibatsira pano basa kubuda
makiseni nekudzoka manheru. Ummmmm
chero hake ari mwana mukomana hazvidi
kudaro ndiko kuzoparirwa imwe mhosva ikoko
ndichingonyarara mwana achiita madiro.

Ko iye Sifiso akangoti ziii uripi ummmmm


panhu apa ndinofara kupangwarira nekuti
amweni matauriro aBrian nguva dzese anenge
achingondishora panyaya yaSifiso. Kureva kuti
pamwe vanhu ava vave kudanana and Sifiso ari
mudhuze zvekuti ndiko chete kunenge kune
mwana wangu nguva dzese.
Ndakazorara ndadumbigwa zvino nenyaya iyi ,
iye Brian wacho takanosvika pakurara asina
kana kudzoka haaa bp yaive yatoshuta.

Usiku hose handina kurara ndichironga kuti


ndaizoita sei kuti ndizive kuti Sifiso aive ogara
kupi. Uku ndiko kuya kunonzi kurara nezamu
mukanwa kwandaive ndaita.

Honai pazvave mwana wangu ahachagari


pamba kana nyaya neni Mai vake ahachina.

Ndakazoti nguva dzave kuma9 ndipo


ndakanzwa gwerereeeee door reparoom pake
ndakaziva chete kuti ndiye hakuna umwe.
Ndaida kutorara ndanzwa kuti ari kubvepi
neudiku huno.
Ndakamuka nekutonanga kudoor ko handiti
ndaizvirarira ndakapfeka here ko ndaive
ndichine murume here? Zvanga zvangove
zvekuti chero ndine pekuduka chete pandinoti
pangu.
Ndisati ndambosvika kudoor ndakabvunzwa
kuti uri kuendepi neusiku huno .
Zvakatondinetsawo riinhi zvekumuka usiku
handisati ndambokuona uchimuka usiku chero
kunorasa mvura chaiko unoenda makuseni.

Me : Munoona zvakanaka here kurega kutsiura


mwana , iye zvino inguvai dzaanosvika pano?

Kana muri semi baba vacho


hamumbomubvunzi zvenyu kuita fanika
munotoziva kwaanenge ari nguva dzese.

BaBrian : Zero raBrian munhu ane mukadzi


zvose nemwana ndiye wondoswero fudza
semombe handipengika ini.

Me : Mukurevei kana muchitaura zvemukadzi


waakaramba kare asi munoziva here kwaari
mukadzi wacho.
Munofanira kuziva nekuti ndimi
makapedzesera kubva naye pano. Ini ndaitoti
hamenowo kuhama dzake kwaakaenda izvo
munoziva henyu kwaari.
BaBrian : Ndosaziva kune muroora wangu kuti
ndine daka naye rei hangu? Hameno iweka
kuda akakutorera murume wako unoita daka
nemuroora kunge unorara nemwana wako.
Hamenoka ko zvine mashuwa here vanhu iyemi
munomaka maka vana ndimi vanhu
vanoshandisira vana mubobobo imi . Chiii
chaizvo chinoita kuti uvenge mukadzi
wemwana kusvika ipapo?

Me : Mune shuwa hre baba imi nezvamuri


kutaura mashoko vani iwayo anotaurwa
nemurume mukuru?

BaBrian : Hezvo wamuka wani kubuda


mumachira chaimo nekuda kuenda kuroom
yemwana kuti anonoka kudzoka.
Anonoka kudzoka kupi asi wanga wamutuma
here akanonoka kudzoka kwacho?Unoswero
tevererana nemwana akaita saBrian ave kutonzi
baba Tawedzerwa busy kutsvakana nezvisina
basa tsvo kugadzirisa hunhu hwako kutiwo
mumba mako munake, basa kuda kutevererana
nemwana oziva vakadzi.

Saka unomumaka maka akakuti mhama ndiri


kuda mukadzi unoita sei ? Ko seiko usingakuri
iwe dzikama mhani uite semunhu anofunga.
Ukaramba une hunhu hwako ihoho tichakunzwa
chokwadi dai wazama kuita semukadzi mukuru
usiye kutevererana nemwana.

Moziva chero mozogara kune vamwe vanhu


vakasikwa nezvipo zvekufinhura vamwe vanhu
mukurarama. Mashokowo here aitaurwa
nemurume mukuru uummm? mashoko acho
aive aita kugara pahuro pangu manje. Ndaive
ndoita sendichaputika nekutsamwa.
Ndakatozotendeuka ndodzokera hangu
kunorara pabed.

Ndaive ndaudziswa dzakazara asi mashoko avo


aive andibata handidi kunyepa baba vaisave
nemukanwa zvavo ivava.

Ungaudza munhu kuti anorara nemwana wake


waakazvara zvinoitawo here veduwe kurega
kuti yangu mhosva ndeyekubereka hre ? Saka
ndoberekera nyika here ndoregawo mwana
wangu achiita mombe yemashanga here
kumutsiura handichabvumidzwi hanzi unoita
fanika unoboba mwana? Yooo baba ava
vandiremedza chokwadi, zvino hameno asi now
ndakuda kuziva kuna Sifiso baba ava
vanotozivana nemwana wavo.
And ndinoda kuzvitsvaka murunyararo
nemurugare.

Kana ndamuwana kwaari ndozoona kuti ahana


chekuita here nemwana wangu kana asina
ndosiyana naye asi kana anacho totangira
ipapo tichienda mberi.

Kunyarara bodozve ko ndagara ndichine changu


here pavari baba ava how long tichigara sasisi
nabhudhi?And ndivo futi vanoda kutaurisa
kundiremedza nemashoko nekuda kwemwana
wangu wandakazvitakuriria 9 months ndega.

Kubva nhasi ndave kuda kuona kuti ndekupi


kunenge kune mwana wangu ndiudzeiwo
mwana angapinda mumba nguva dzino here
asi ndonzi ndingonyarara. Ndikati ndibvunze
ndoudzwa mubobobo wandisingambozivi kana
nerudzi rwawo.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision

By Linda Mai Peace

0611169903
Chapter 24

*Sifiso*

Handina kunge ndaziva kuti kana uri wenhamo


unongoramba urimo munhamo imomo.
Chokwadi midzimu yakupa chironda yati nhunzi
dzikudye.

Handina kunge ndaziva kuti kuita mwana


kwandainge ndaita kuchaunza nhamo hombe
mukukurarama kwangu. Kuipa kwechimwe
kunaka kwechimwe.
Hongu ndaive ndaita zvinhu zvakashata kuita
nhumbu ndiri mwana mudiki asi ndaive
ndatozvitambira panguva yacho kuti ndozviripo.
And kubara kwandakazoita Tawe kwakadzora
mufaro wangu wese hakuna chinhu
chandaifarira semwana wangu pasi pano.
Ndiko kusaka ndichiti kuipa kwechimwe kunaka
kwechimwe hongu zvanga zvakashata
kunhumburiswa kwandaive ndaita asi ndaive
ndatove naTawe wangu. Munyaradzi wangu ,
ndiro zita randaida kupa mwana wangu asi
ndakazoona kuti handingaiti makwikwi
nasekuru vake.

Hongu nhamo haibvi pane imwe ndaifunga kuti


ndabuda mukanwa mamupere mbuya vaTawe
asi ndaitozvinyepera ndipo miedzo yacho
yaitoita fanika ine munhu aiituma kuti
izondivhiringidzira upenyu hwangu.

Ndainyatsoziva kuti ndaive ndapukunyuka pane


yaHead asi ndaiziva hangu kuti wenhamo
ndewenhamo. Chandaigona chete kuita apa
kunamata kuna iye musiki.

Brian anga andibatsira zvekuti ndakatanga futi


kuona kukosha kwake mukati meupenyu
hwangu. Ahana kuda kundisiya ndichiitwa
nyama yemagora nahead akaratidza kuva
murume.

Dai ari umwe aitozotya kuti nekuti zvavari head


ndingagovaita sei?

Asi iye akamira semurume and neni wacho


ndakatozoita manyawi ekurova ndururani yaida
kudya zvevapfupi nekureba.
Paitika chinhu vanhu havatani kuungana ,
nenguva diki diki pamukova peoffice panga
pazara vanhu.

Ndakazobuda naBrian toenda zvedu kumba but


pakazochemewa zvekuti tanga tochinjana
kuchema kwacho. Takazopinda busy
yekunyaradzana kusvika tese takunzwa zviri
nani.

Kuchema kwatakaita kwakaita kuti moyo yedu


agadzikane uye kukanganwira zvese zvaiva
zvaitika kare.

Takazoenda hedu kumba kuchema kwapera


taive totaura zvainge zvaitika tichiseka zvedu.

Kubva musi uyu ndiwo musi wandakatanga


kuvhurira Brian nzvimbo muhana mangu sezvo
ndaive ndakamubvisa nekundishainira
kwaainge aita.

Hongu zvake ndikada kunyanya kutarisa side


raBrian hongu aisandida zvake ainge asina
zvake kunyanya kundishainira. Munhu aive
andione
sa moto ndimai vake.

Saka ndakaona kuti nhasi gudo ranhonga


pembe ndaitozviva zvangu zvazvaireva umwe
wangu aitoda dzidziso yakasimba.

Tezvara vakazouya kuzoda kunzwisisa kuti chii


chaive chaitika eishy!, ndakanyara hangu
veduwe kushaya pekupinda nyaya dzakadai
dzaisada madzitezvara mukati nekuti inyaya
dzinosvodesa.

Ndakazofara pavakadanira Brian paside, zvanga


zvave nani nekuti vaizonobvunzana nemwana
wavo imi ndisiko.

Vakazoenda havo Brian ndokudzoka ndamuti


ko wadii waenda nasekuru vaTawe nhai Brian
waita mufamba nyore ,mufamba nerima
unokuda fani.

Mhinduro yacho yandakapihwa yaitova


yekundifuzura chaiko.

Brian: Ko warwadziwa nei nhai mai Tawe


handiti shoka dzacho ndedzangu here plus
usave uchindiudzira nguva dzekufamba.

Handina kuzopindura ndakaona kuti


ingatokwidza makata chaiko nekuti pfungwa
dzevanhu dzinosiyana ndakatoona Brian seaive
otofunga kuti mheno zvaari kudzingirwa izvo
bodo ndaisaita zvisina basa.

Zvino kana aive oda kushandisa mukana wekuti


aiva andirwira , kuda kuzoita zvisina basa
kwandiri aizvinyepera.

Ndakatoona karough kacho kuti katove kekuda


kunditonga manje maya taingogara semugariro
wedu hapana change chachinja.

Varume vazhinji vanoda kutora advantage


yezvaanenge aitira munhu anenge otoda
kuchikukwiza nekuti akubatsira. Moyo iwoyo
makambouwanepi vanhu rume vazhinji venyu
ndivo zvavari pese pese.

Kunyangwe mumabasa chaimo munhu


kungokupinza basa anotoda kutora mukana
iwoyo kuti akuite zvaanoda. Kunyange
mumagrp iwaya mazhinji aveko maadmin ave
kuda kukutora mukana wekutora vakadzi
unotoshaya kuti varume makazviregerera here
kana kuti mune chivanhu.
Haaa zvino sifiso anga akaziva nhamo aisaita
izvozvo ndakanyarara zvangu ndaida kuzomirira
kuti Brian ataure futi zvisina basa ndipo aizoona
kuti ndiri benzi chairo.

Ndaisada munhu anondivhiringidza muviri


wangu uye upenyu hwangu.

Yanga yave second chance yangu


yekugadzirisa mistake yandaive ndaita
pakutanga saka ndaisada kugadzirisa mistake
neimwe mistake, ndaizviziva kuti ndikada
kurega Brian achienderera ndeimwe nhumbu
futi yandaizopihwa saka ndaisada izvozvo.

Hongu zvekudzivira zviriko uye zvakazara asi


nini handaida izvozvo ndaida kuchengetedza
muvuri wangu kwete kuve loose hezvo Brian
aive onditi ndakachipa chero ndimiwo word
iroro raisabuda mupfungwa dzangu and
raindirwadza.

Saka paive pasina zvekuti afunge kuti sezvo


andirwira ozototi dzawira mutswanda this time
ndanga ndisiri vana dzawira mutswanda
ndaitoda kuti aone kuti kana aifunga kuti Sifiso
akachipa aizvinyepera. And ndaive
ndakamutaimira kuti akangotaura zvisina basa
ndaizomuudzisa chaiko.

Asambowane hake chaanotaura chakashata


nekuti handina kumbobvira ndadanana naye ini
ndakatozviita mukusaziva asi now njere
dzavhirika ndave kuziva.

Even yandaive ndoda kutambwa nahead iyo


ndechimwe chidzidzo chandakatodzidza kuti
ukadaidzwa nemunhu rume ari ega usapinda
maari , vazhinji vakanyura nazvo nekuti vanhu
rume havana moyo kana tsitsi kana asvika
panguva yacho.

Ahakwanizi kana kutarisa kuti ko mberi kwazvo


zvinozoita sei chake anenge achida kufadza
nyama dzake chete. Saka isu vanhu kadzi
ngatizivei nhamo dzedu kwete kuzokaruka
wave mumatope sezvandakaita ini.

Brian akazotandara hake tichitaura nyaya


dzechikoro apa mother vaya vairera mwana
wangu vaivemo.

Ipapo ndipo ndakaona zvakare kuti sekuru


vaTawe vaive vandigonera shuwa kunditsvakira
mai ava kuti ndigare navo.
Ko dai vaisavepo ndichigara ndega Brian
aitozotorawo mukana iwoyo kundiita zvaanoda,
zvino apa paive pasina mukana wacho nekuti
ivowo vaitondichengera semwana wavo
vaisada kuti ndipinde mudambudziko zvakare.

Ndaifanira kugara ndichikudza musiki


nekumutenda nekuti zvese izvi zvaiitwa
nesimba rake kwete kuti nenjere dzangu.
Hepano pakuti Brian ave kuda kuenda ndipozve
pakazoita basa guru chairo hanzi ndiperekedze.

Ndakamuudza kuti ndaive ndakaneta uye


ndaida kuzorora. Ahana kuda kuzvinzwa zvese
izvozvo akaramba achinetsa chete kuti
ndimubudise unobva wega waona kuti upenyu
irwendo chokwadi uchibuda mune zvimwe
unogona kupinda mune zvimwe futi.
Zvangu zvanga zvotoda Mwari chaivo kuti
vandikundise Brian ndiye aive atove minzwa
nemasoso mukati menzira yeupenyu hwangu.

Akaramba achinetsa kusvika mother vaya


vazoti Sifiso chingomuburitsa mwanangu asi
usasvika kure hona kwasviba munhu
wechikadzi hazvina kunaka kufamba usiku
hwakadai.

Ndakazoita zvandaive ndaudzwa namai vaya


asi moyo wangu waingonyumwa.

Kutaura chokwadi kwaingova kuzvisunda


chaiko Brian aive itoda kuzviitisa chaiko.

Ndakamurekedza ndokusvika pagedhi


ndikamuudza kuti ndakudzokera Brian hona
rima ririko.

Akatoita nharo nekutondibata ruoko


nekutondikakaradza kana ndimi veduwe asi
ndaive ndakambotadzei chaizvo panyika pano.

And ndaive ndotozviona kuti Brian zvaive


zvatokwidza, ndaimuziva . Yoooo veduwe ko
ndakambonyanyotadzei chaizvo nhai Mwari apa
ndaitaura hangu mumoyo mangu asi ndaive
ndakabatwa ruoko rwangu zvekusapunyuka.
Akati atanga mwanakomana waMai Brian
kudeketera achindikumbira. Ndakazama
kuramba asi iye munhu wacho ummmmm
zvanga zvakatooma kani. Ndakatanga kuudzwa
masweet nothing ese ndakambotanga
ndakatsamwa asi ndakazopedzesera
ndoteerera zvaaitaura.

Paakaona ndapfava akaabva atoitawo semunhu


kwaye hanzi chindipawo kiss ndiende hangu but
ziva kuti ndokuda Sifiso pauri ndinouraya
munhu usambozviedza hako ndini baba vevana
vako.

Paakakumbira kiss ndakafara kuti munhu ave


kuenda kandi handina kuziva kuti ndazviparira
ndaive neniwo wacho ndatomutsa zvaive
zvakazvirarira hazvo.
Ndakangozobvumawo hangu kiss yacho
ndokutanga kukiswa kwacho asi ini handina
kumbodzorera munhu ndiye aive busy kuita
zvidavado zvake mukanwa mangu neririmi
rwake .

Ummm zvaive zvoita zvichinditekenyedza


ndaida kumuudza kuti chirega asi ndakashaya
mukana wekutaura nekuti rurimi rwainge
rwakanzi ndii mukanwa mangu.

Ndakambozama kumupusha asi simba raive


ropera zvishoma nezvishoma mandiri.

Ndaive ndisanzwisisi muviri wangu waive


wangove chiveve zvekuti ndega ndaitadza kana
kuzvicontroler chaiko.
Panguva iyi ndaiita fanika munhu anonokerwa
nezvaida kuitwa hamenowo kuti zvaive zvii?

Zvishoma nezvishoma Brian akatanga kudzika


ave kuuuya kumazamu angu ndokutanga
kumabata zviri soft kumunyatso uku.
Ummmmm guys munyika mune muedzo
zvekuti chero uri Mai Maria chaivo pakadero
hapakundike.

Ndanga ndasiti ziiii manje muviri wangu wanga


wotongwa nasatan diyabhorosi. Apa ndaive
ndongoti ngaachipedza zvaatanga nekuti pese
pese panga pave kungopfura zvekuti ndakaita
sendichaita wekudhonza kuti nhaiwe asi
wakanganwa here?
Zvishoma nezvishoma akabva aisa muromo
wake panzeve yangu ndokubvunza zvinyoro
nyoro , " ndopinda here Sifiso?

Ndakangogitsurira musoro wangu kuratidza


kubvuma ko ndaidiiwo ini ndaive ndatopera
basa kare aive ave iye aive otodzosera zvinhu
kumashure nekundibvunza zvisina basa.
Zvinobvunzwa munhu here izvozvo kana kuti
unongoona wega zvenenge zvavapo kuti
ndatononokera mwana wevaridzi .
Akazondibata nechepano padumbu apa
kundipa sign yekuti ndaifanira kukotama
ndakaita sekudaro.
Ko zvaimbotumwa munhu here kuti idaiso aaaa
kana iwe wega waingoona watove muchuni
kuziva zvaida kuitika mberi.

Ndakotama kudaro ndipo akatanga kudhonzera


pant rangu paside.

Paakanoti achinoipfekera ndipo ndakanzwa kuti


.......

*"SIFISO NDICHO CHII ICHOCHI"*

*Headmaster*
Chifumi chamangwana acho muviri wangu
wesewaiita kurwadza hapana kana paive nani .
Kusimuka chaiko ndaitoita zvekuvavarira.

Semunhu wechirume ndakangozozvishingisa


kuenda kubasa. Handina wandakataura naye
ndakangonanga muoffice mangu,
ndokutotanga kuita basa rangu. Ndaida
kugadzirisa zvese zvaidiwa pangu iyi nekuti
imwe moyo wangu waive wofunga kubva
pachikoro ichi nekuda kwenyadzi.

Ndakazoti break yasvika ndokuenda kumba,


kumbononwa tea , zvinoita satan ndiye dhuma
dhuma naSifiso uya. Heyi ndakanyara kushaya
kana kwekuisa meso.
Asi iye kutondit," morning Sir", moziva hana
yangu yakarova kuti nezvandaive ndoda
kumuita nezuro ndiye ari kundibvunza kuti
mangwanani chokwadi kune vamwe vana
vanozvinamatira uyu ndatya naye. Ndakazoti roi
roi meso ndokudaira hangu asi nyadzi
hadziurayi chete.

Ndofunga amwe maticha aitonyara kubvunza


kuti ko zuro zvakawanda sei?

And ndaive ndakapfeka face yebasa zvekuti


ndaisamboda kujairirwa musi uyu.

Ndakakurumidza zvangu kuchaisa ndokuenda


kumba ndikatosviko zvirarira . Lucky randakaita
nderekuti mudzimai wangu aisavepo pachikoro
aive kumusha achirima sezvo yaiva nguva
yezvizha.

Ndaingonamata kuti paaizodzokera dai


akasazvinzwa.

Ndakaona sekuti nyaya yangu yainge isina


kumbozikanwa nevanhu vazhinji nekuda
kwekuti mhuri yana Sifiso vaisava vanhu vaya
vane shau shau.

Yaiva mhuri yakadzikama isina husahwira


hwakanyanya , zvekuti dai zvaitika kune vaye
vane hana nhete hameno hangu kuti
ndaizosvitsiwa kupi?

Ndakatenda hangu nehunhu hwevanhu ava


vaive vandipa chidzidzo uye ndaive ndoziva kuti
munhu haufaniri kudya zvevapfupi nekureba.
Chinhu chega chega itai mawirirana guys ndiko
kuti mangwana musasvika pakuzonyadziswa.

Mazuva aifamba ndakamboda kuzama kuchinja


chikoro nekuda kwenyadzi asi ndakaona zvisina
batsiro kuchinja chikoro. Asi kuti chaive
chakakosha kuchinja hunhu hwangu
ndikangogona izvozvo chete, chero Mwari
chaivo vanondiregerera zvose zvandakatadza
kumashure uko. Nako Mwari ndinototi
vanondida nekuti ndivo vakatuma mutumwa
wavo Brian kuti azovhingidza hurongwa
hwainge hwarongwa nasatan. Ndinodero nekuti
basa ndakabvira naro kure hakusi kutanga pana
Sifiso. Kureva kuti apa ndaenda pamunhu
waMwari wavanochengetedza nekufudza.
Chero ndimi handingaregi kudaro nekuti Sifiso
ndaifunga kuti ndinongozviita nyore sezvo iri
mvana asi Mwari wake vakazviramba vakamira
naye satan akanyadziswa.

Nhasi uno chero ndikasangana naye


ndinotonyara kana kusimudza musoro kuti
nditarisane naye, asi chinondishamisa iye
aharegi kundikwazisa and anotoratidza kuti
nyaya iyi ahisisimo mumoyo make.

Chave kudiwa pandiri inyaya yekukumbira


ruregerero kuda moyo wangu ungazorore uye
kuwanawo mufaro pane vamwe nekuti nyaya iyi
kwandiri mutoro chaiwo unoda kuturiwa.

Ndaizotaimira pandaizongosangana naye chete


ndipo ndaibva ndangokumbira kuregererwa
nekuti iye akandiregerera kana kudenga chaiko
ndinenge ndaregererwa zvakare.
Asi mabasa erima ndasiya hangu handichadi
futi kana zuva rimwe chete zvaro kucheater
mhuri yangu nekuti hazvina zvazvinondipa
mhedzisiro kuzofira mujere nekuda kwevana
vadiki ava. Hanzi nhambetambe inoregwa
ichanaka kuitira kuti zvisazosvike pakushata.

Kana ari Brian kuda aitoitira hake kundisvotesa


anga ongoti tikasangana onzwa onditi,"ndeyipi
madhala" , moziva ndaisvotwa asi panga pasina
yekutamba. And zvaive zvatove pachena
kwandiri kuti Brian naSifiso vaisave bhudhi
nasisi pane yaive yakatambika chete nekuti
machengererwo aiitwa Sifiso naBrian
ummmmm anga akatooma. Chero ndikada
kurangaririra day raitika nyaka nyaka riya iye
Sifiso chaiye akati thanks baba Tawe
nekundinunura. Rinova ndiro zita remwana
wake uye baba vaBrian pataitaura vakadudza
kuti muroora wangu. Ummmmm zvinhu zvacho
ukada kuzvijoinidza unotemwa nemusoro asi
answer iri pachena kuti Brian ndiye baba
vemwana waSifiso ndatozozviona nhasi. Chero
icho chimwana chacho chakafanana naiye
Brian zvakanyanya zvekuti wega unongoona
kuti pane nyaya apa. Maybe vakamitisana
pahukama hameno ko togozivei hedu
kungofungira nekungojoinidza dzisi dzedu.
Regai ndisiyane nenyaya dzemudzimba
dzevanhu zvikazobuda mangwana kunofuma
konzi ivava vaida kuziva zvisinei navo ndivo
vakatambisa guhwa.

Pfungwa dzaive dzondiwandira ndaizama kuda


kurasa nyaya iyi mumoyo mangu asi yairamba
ichidzoka. Zvakatondinetsawo ini kuti ko
nemhaka yei zvichingotsutsurutsana.

Ndakazozvipa zvivindi rimwe day ndaita


mahwekwe naye Sifiso vari vese naBrian ndikati
ndiwoyu mukana wekupupura zviri pahana
pangu moyo wangu uzorore. Unotoita fanike
une chikwereti nekuti nguva yaunongomuona
munhu wacho hana inotorova zvekuti hauzove
comfortable nekuda kwekungopupura
chokwadi. Ko akambokumbira ruregerero
akarohwa ndiani munhu wese anokumbira
ruregerero kuitira kuyanana.

Ndakaita zvivindi ndokusangana navo musi uyu


handina kuda kuti vanditange ivo. Ndakabva
ndangoti vanangu ndine nyaya huru nemi muri
vaviri zvinoita here kuti muuye kuoffice pane
zvandiri kuda kumbotaura nemi.
Follow this link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision

By Linda Mai Peace

0611169903
Chapter 25

Nheni waTawe.

Moyo wangu waigaro rwadza nekuuya kwaiita


Brian pamba pedu. Hongu hapana hapo
zvataigona kuita nekuti vaiva baba vake vaiita
zvese. Asi zvaisada kuita fanika munhu
atowana advantage.

Sifiso aisazviona kuti munhu uyu aivavarira iye


uye kumurivadza kuti anyatsonyekera. Zvino ini
wacho tsoro yake Brian ndaive ndakaibata kare
aifunga kuti akangwara but kwandiri aitove
kumashure kwangu nekuti ndaifamba
muchiedza.

Kunyange zvose zvenyaka nyaka zvavakaita


kurova head Sifiso aive atorasa muswe
kukanganwa chazuro nehope.

Akazoti ave manheru emusi waitika musindo ,


baba vake vakauya ndipo akasiya vachienda
havo pachinzvimbo chekuti angadei akaita
mufamba nyore.

Ndakatozvishayawo neni kuti asi chii nhai


neusiku hwakadaro,ko kungoenda kumba
nenguva kwaive kwakaipei?
Naivowo mai vake ndofunga paive nebasa
chairo,ko munhu wamai handiti unofanira
kutarisa vana vako here ? Hazvinei kuti mwana
musikana here kana kuti mukomana. Vana
vanofanira kungochengerwa chete ndiko kuti
hadzidze tsika dzakanaka uye kuve uchivapa
dzidziso dzakasimba semubereki kuitira kuti
mwana azive chakanaka nechakashata.

Inga ini Sifiso ndinogaro mudzidzisa zveupenyu ,


kunyange ndisiri mai vake asi parizvino ndini
ndinogara naye saka ndofanira
kutomudzidzidzisa kuti zvakaitika pakutanga
zvisadzokororwa.
Ko handiti vakuru vakati kuzvara kumwe chete
her e kana vangu vana vanofanira kupiwa
dzidziso nambuya vavo vari kuvachengeta.

Ndaive ndatozvipira kuva ndichiona kuti


zvakamira sei panaSifiso nekuti aive andiudza
nhamo dzake dzose. Saka zvinorema vabereki
ukangoona kana uri mwana sikana uchiti
wariirwa vamwene votadza kukufarita chitoziva
kuti Mwari vakasapindira , unogona kuvengwa
kweupenyu hwese.

Hameno kuti vanhukadzi moyo dombo iwoyo


takauwanepi?

Hongu unogona kushingirira zvako asi kana


murume wako akazotinyukawo chitoziva kuti
ndipo panofira tsoro ipapo.
Ndiyo yandakatambwa nhasi uno
ndakazorambwa ndave nevana vatatu nekuda
kwavamwene vaisandida.

Saka ndaitonzwira hangu Sifiso tsitsi ndaiona


kuoma kwemutoro waaiva akatakura, kunyange
tezvara vaimira naye asi zivai kuti vamwene
ndivo vane yese uye vane chimuti.

Musha mukadzi baba havangambosweri pamba


vachiongorora kuti nhasi muroora adya here
kana kuti ahasi kushungurudzwa here pane
nyaya apa veduwe.

Dai vana mai tagona kurasa moyo wakashata


moyo wekuvenga munhu asina chaakutadzira
dai Mwari vatibatsira ipapo kuda vana vedu
dzimba dzavo dzaizomira mune zvakanaka.

Pandakazoona Brian oyeneka hake kuenda


ndakatofara ndikati ndiyo nguva yandatowana
yekusara ndichiraira Sifiso.
Ndakazopererwa ndonzwa oti kuna Sifiso
ndiperekedze. Ndiudzeiwo neusiku ihoho apa
kwaive nemhindo isingamboiti.

Pandakanzwa Sifiso oramba ndakafara ndikati


agona munhu kadzi unofanira kugara
wakangwarira zvinokupinza mimuedzo. Zvino
Brian wacho yaitova muyedzo muhombe
chaiwo akaramba achinetsa kusvika Sifiso
azotenda kumuburitsa kwacho.
Ndakafunga kuti achangomuburitsa gedhe
odzoka hake.

Zvinaani waani ndakaona nguva yati rebei


munhu asina kudzoka ndikati makajaidzwa
vana imi kana vakuru venyu vachikuregai
muchiita zvisina basa ndezvavo ikoko ini
mumeso mangu bodozve. Ndichakufudzai
semombe chaidzo handinei nekuti handisi
mubereki wenyu asi panguva yandinenge
ndinemi kudai nditoriwo mubereki
handingatarisi muchipinda mumadhaka
ndakatarisa henenge huchitove utsinye chaiho.

Sezvo vana vaive varara ndakavafukidza


zvakanaka ndikavhara door rangu ndokubuda
kutevera Sifiso.
Handina kure kwandakainda vaisave kure
zvakanyanya.
Ndakangoti fambe fambe ndiye dhumha
nevanhu vatotegera kuita mutambo wevakuru.

Ndakakangogona kubvunza kuti Sifiso ndichiti,"


ndicho chii ichocho", ndokutofuratira
kudzokera kwandaive ndabva.
Ndainyatsozviziva kuti ndaive ndatopedza
masports chero mafeeling aitiza pakadai
zvekuti pfungwa dzinotodzokedzana chete.

Ndakadzokera kumba ndichipinda iye Sifiso


achipindawo. Ndikati yaaa ndakugonai vana
vakaregererwa.
Ndakachiti chiregai ndichitsiura munhu wangu
manje handingambomusiyi akadero ndinotoda
azive kuti zvaanga oda kuita zvinogona
kuzomupinza panhamo hombe kudarika
yaakamboona.

Me : Sifiso wadziirwaka wave kukanganwa


zvazuro nehope chii chawanga woda kuita heee
ndiudza Sifiso?

Heya unositsidza muno kuti haufi wakazviita


futi ko nhasi ndeipi yawanga woda kutiitira?
Ahuoni kuti wave kuda kufarisa here Sifiso
wave kuda kusiya chikoro here?

Zvimwe zvinhu zvinoda kushandisa njere dzako


ziva wega chakanaka nechakashata uye
unofanira kuziva kuti ndikadai ndini ndinenge
ndapa ndega munhu mukana wekuita zvaanoda.
Hindava wakapusa kudaro iwe Sifiso zuro
ndizuro waive wobatwa nahead nenyaya
yekupusa ikoko? Ko dai waive wakangwara
waizovarega here vachikiya door uri zii?
Waifunga kuti vari kuda kuitei, munhu ane
mwana ugotadza kuziva kuti kana zvadai
ndofanira kudai?

Iye zvino dzaaa kuperekedzana naBrian murima


usiku hwakadai. Wega haugoni kuona here kuti
izvi hazviiti izvi zvinoita wadziirwa manje
wakanganwa chazuro nehope?Ini Sifiso kana
ndakakutarisa ndinotokuona sefirst born yangu
izveizv ari form 2 kana newe ungadai wavewo
form 2, but haudi kubva pachakaipa .

Ndakakazomuudzisa ndaisada kuti apindure


ndaitoda kutanga ndapedza kutaura zvaive
pamoyo pangu mwana wepi akapusa kudaro.

Naicho chimiro nerunako zvaakapihwa varume


vagomurega here zvotoda iye kuzvibata kwake
chete.

Ahana kana kupindura ndakazviona kuti aive


apererwa chaiko mumoyo ndikati nyarara hako
asi wazvinzwa.
Ndakazorara zvangu ndokusiya munhu
achingotura mafemo kuratidza kupererwa
chaiko zvanga zvave kwaari pangu ndanga
ndasakura ndikazunza. And hazvo zvaitika
mumaziso angu seizvi haaaa ndinozvidira jecha.
Hakusi kuti Ijealous kwete kudawo kuti mwana
aitewo zvakanaka agadzire ramangwana rake
kwete kuti odzokorodzazve kuita mistake imwe
chete iyoyo. Chero ivo tezvara vacho
vanopedzesera vakanda mapfumo pasi.

*Sifiso*

Ndainge zvino ndave mudenga rechinomwe apo


ndakanzwira kure kure kuti,"Sifiso ndicho chii
ichocho?Panguva yacho zvakangoita
semaungira munzeve dzangu asi hana yangu
yakabva yarova zvakasimba kuita fanika
yatsemuka chaiko. Zvinova zvakaita kuti
ndivhunduke uye njere dzangu kudzokedzana
panguva iyoyo.

Ndakabva ndakurumidza kugadzira dhirezi


rangu sezvowo Brian aive atomira maybe aive
avhundukawo inzwi riya.

Munoziva handina chandakagona kutaura asi


kuti ndakangoti thank God handina hangu
kumadudza mashoko aya asi kuti kutaura
pafair ndakamutenda Mwari nekuti zvanga
zvatoipa.
Regai kuzvipembedza nekuzvipa mbiri kuti
munogona kungwarira upenyu hwenyu kwete.
Hakuna kana neumwe zvake anogona kuziva
zviri mberi kweupenyu hwake kunze kwababa
vari kudenga. Ndinodaro nekuti ndaive
ndakatsidza kuti handifi ndakaita mistake
yakadai zvakare asi baba vari kudenga
varatidza pachena kuti munhu
haungazvingwariri asi kuti ivo Mwari pachavo
ndivo vanogona chete kukundisa pazvinenge
zvosvika pasiri ipo.

Ndinotenda nevatumwa vavo vavatuma


panguva yekuedzwa kwangu panguva ino
ndinoda kungozvikudza nekuzvitenda.
Ndinozviziva kuti vamwe vanonditi Sifiso
akachipa kwete handina kuchipa asi garai
makaziva kuti kuedzwa parwendo rweupenyu
kuriko and kana usina Jesu parwendo rwako
rweupenyu haukundi unonyura chete. Saka ini
panguva ino ndinoda kungotenda Jesu
wandinonamata nekuti ndave kutozviziva kuti
ndiri mukundi kuburikudza neziso ravo baba
vari kudenga rinogara rakandichengetedza.

Hongu zviwiravanhu zviriko and hatigoni


kukunda miviri yedu kana tasvika panguva
yekuedzwa asi kana tichifamba mutsoka dzake
panotowana chinovhiringa hurongwa hwasatan
dhiyabhorosi nyoka.

Seipapa ndanga ndanyangirwa ndakavarairwa


and kana kutomboona zvangu kuti ndatove
kudzokera mumatope muya mandanga
ndakabuda.
Chokwadi ndinoda kungotenda Mwari nekuti
ziso ravo riri pandiri. Hongu ndega handigoni
kukunda ndiri munhu wenyama asi imi ishe
kana makada munhu nechakare munomufudza
sehwai yenyu.

Ndaimafunga hangu mashoko aya mushure


mekunge ndatevera kumashure kwamother
vangu.

Chokwadi ndakanyara kunge imbwa yapinda


mubhazi handina kunge ndakatarisira kuita
zvakadaro ini hamenowo kuti chii chaizvo
chaive chandibata. Chokwadi satan kana akuda
anokupinda nedzese.
Handina chandakakwanisa hangu kupindura
mhamha pamashoko ese avakataura nekuti
kutaura chokwadi ndini ndaive wrong. Ndaive
ndabuda gedhe ndega nemakumbo angu ko
nemhaka yei ndaitadza kufunga kuti ko
ndikumuperekedza kuti zvidii usiku huno.

Ipapo ndinozvipa mhosva hombe regai Brian


achizonditi ndakachipa. Angakona nei hake
kudaro iye achiona iri pambudzi inongofamba iri
pachena muswe wakasimudzwa.

Ndaizokunda sei miedzo yakadai chokwadi


kubva nhasi Brian ngaabude muupenyu hwangu
ko dai mhama vasina kutevera chii chingadai
chaitika handiti ndeimwe nhumbu here
yandingadai ndatopihwa.
Ummmmm kumwe kupusa hakudi kudaro ,
kubva nhasi ndofanira kuchinja maitiro angu.
Kana iye Brian ndinoda kumuudza asachauya
kuno nekuti mangwana ndinozochema
chokwadi hanzi kana chingoma choririsa ziva
kuti choda kuparuka.

Hezvo zvanga zvatoipa, ndakazorara mutumbi


kwete kuti ndakawana hope kusvika kuedze
pfungwa dzichingokazhana. Ndakatoona kuti
better zvizhinji ndizviise mumaoko aMwari
nekuti ini ndega hapana kuzvingwarira
kwandaigona kuita asi kuti zvaida ivo Mwari
kumira neni. Hongu ndaifanirawo kuziva
zvinopinza pakashata kwete kungoti Mwari
nekuti ivo Mwari pachavo vanobatsira
anozvibatsirawo.
Mhama vakaona ndisina hangu kuvapindura
ndofunga kuti vakatofunga kuti ndavatsamwira
izvo bodo ndaitoshaya kuti ndovatenda sei uye
nei nekuti vaive nechekuita neupenyu hwangu.

Ndivo vabereki vanoverengwa ava vasinei


nekuti hauzi mwana wangu asi vanomira
chambizi chaicho kugadzira ramangwana rako
chokwadi ndinonamatira kuti Mwari
avarangarire paanenge orangarira vatsvene
vake ndaivakumbirira ropafadzo mukati
neupenyu hwavo.

Ndakazomuka makuseni ndokugadzira hangu


zvekuenda kuschool asi ndaingove low low
nezvaive zvaitika manheru ndaizama kuda
kubatanidza njere dzangu kuti chii chaizvo
chaive chandibata.

Hongu ndiri munhu wenyama asi ndinofanira


kuziva zvinhu zvinozoita kuti munhu upinde
pakuedzwa. Iyezvino Brian ndoda kumuavoider
ngaachitambira hake kure neni nekuti tsuro
haipunyuki murutsva kaviri.

Ndakazoenda hangu kuschool kuya ndichiri


munzira but ndave kutosvika
ndakavhundutswa nemunhu akangokaruka
asvika achimhanya ndokusviko ndibata
pabendekete.

Paakati, " Hec baby " ndakatonzwa kuti aive


Brian ndisina nekumbocheuka kwese uyu
munhu aitove miedzo mihombe chaiyo kwandiri.
Handina kumbomudaira ini ndanga
ndakatobhipa zvangu nezvaive zvoda kuitika
manheru. Ndakangomuudza chete kuti Brian
usandibata please.

Brian : Ko hamuchabatwi hindava?

Akatobvunza achinditarisa kumeso zviya


zvekushamisika kunge paive nechinoshamisa.

Me : Brian iyezvino ziva pekutamba


uchigumira nekuti zvakaitika manheru was a big
mistake shaaa zvisafe zvakadzokorora nekuti
unoda chete kutsvaka kufuvisa upenyu hwangu.
Ndiwe umwe munhu atove satan chaiye iwe
muupenyu hwangu.

Brian : Ko ndadiiko Sifiso handiti taive


tawirirana here ?

Me :. Hooo saka kwauri uri kuona


zvakanaka nekuti hausiri iwe unozotambura.
Uri kuziva here kuti ndisvike pose pandiri apa
kuenda kuchikoro nemwana imhaka yako iwe?

Now wakunditeverera kuti undifuvise futi


upenyu hwangu, buda muupenyu hwangu Brian
zvizive kuti handikude shaaa. Usambouye zvako
kuzotandara neni now handichina nguva
yekutambisa ndoda kuita zvechikoro.

Brian : Zvose izvozvo zvabvepi Sifiso


usandidaro Sifiso ndikakushaya mulife mangu
ndogona kutongopenga chaiko.

Me : Ndiri kuzviona kuti uri kuda kutora


advantage yekuti wakandibatsira ndiko saka
wave kuda kuita zvaunoda neni.

Pandaitaura naBrian taive tatosvika pachikoro ,


ndipowo pakasvika miedzo yahead vaya
vachitikumbira kuoffice kwavo tose naBrian.
ZvaBrian ndanga ndisisamudi pedyo neni ini iyi
yanga yatove imwe miedzo futi. Hapana
zvandaigona kuita kuti ndirambe ndakaona kuti
ndini ndinenge ndatove nemoyo dombo saka
takangozooenda hedu.

Head vaya vakazokumbira ruregerero chokwadi


zvainzwisa tsitsi zvainyatsoonekwa kuti
ruregerero rwacho rwaibva pasi pasi pemoyo
wavo. Takavaudza kuti tainge tavaregerera
hedu.

Takazobudamo umwe neimwe onanga kuclass


kwake. VaBrian vaive voita fanike munhu
anaiwa nemvura mufaro wese waive wapera
kuti tsvai. Zvekuti kana neni moyo wangu
wakatomborwadza kumuona akasuwa kudaro
asi paive pasina yekutamba nekuti ndikaita
zvekuda kufadza munhu inofa kwangu
mangwana ndikazotambura.

Palunch handina kana kubuda muclass


sezvandinosiita ndaive busy hangu kuverenga.
Ndipo ndakazoona Brian opinda akabata
madrink maviri nechipepa chema biscuits.
Ndakazviudza kuti handisi kuda kudya zvinhu
zvake Brian anofanira kuona kuti zvinhu zvese
zvashanduka, handichadi zvekujairirwa naye
satan wemunhu. Nhamo yose iyi ndiye but
ahapfidzi and anoda kundiona ndichitambura
chete.
Akasviko ndokuti "ngatidye Sifiso ko nemhaka
yei usina kubuda panze nhasi?

Me : Handisi kunzwa mushe Brian plus


handisi kunzwa kuda kudya idya hako.

Brian : Ndatengera iwe Sifiso ini


handitorinawo nzara pamoyo pangu
pakutorwadza nemashoko awataura shaa rega
kundidaro Sifiso now wakuramba kudya chikafu
chandatenga unoda kuti ndiite sei nhai Sifiso?

Me :. Unoda kuita sei nei Brian ngatimire


zvekufambidzana izvi hona kwazvaive zvoenda
manheru. Remember hatidanani Brian hapana
akamboudza umwe kuti ndidewo saka ziva
hako kuti kana iri nyaya yemwana akauya
kumahumbwe ndiwo mahumbwe ataiita paya.
Hona wakandikonzeresa matambudziko
mazhinji . Nhasi wakuona kuti vane tsitsi
vakandiendesa kuchikoro wakutevera kuda
kundivhiringidza Brian nemhaka yei ndiudze
Brian?

Brian : Sorry hako Sifiso handifi


ndakazviita futi ndinokumbirawo hedu kuti tive
mafriends nekuti Sifiso zveshuwa ukataramuka
pandiri better hangu kufa shuwa. Hapana
chinhu chinoita kuti ndifare pasi pano
sekungove newe Sifiso saka kana wave kudai
ukurevei?
Sifiso : Brian zvaitove nani dai wakasiya
hako ndichirepiwa nekuti wave kutoda
kushandisa mukana wekuti wakandirwira and
zvaitove nani nekuti head ivava ndini
ndaivaramba asi vakanguri vabvira kukanda
shoko. Pakuswero umburudzwa nemunhu asina
kana kuti ndidewo , siyana neni Brian
mangwana unofuma woti Sifiso akachipa.

Brian : Uri kutii Sifiso dzokorora nyaya yako


yahead kana usina kumborohwa
chimbozvizama uone rimwe side rangu. Utori
mukadzi wangu iwe takaroora kumba kwenyu
uko zvekuti handina kumbokuti ndidewo
hazvina kana nebasa kutoita mwana kwataita
pasina arepa umwe ndiko kutodanana
kwatakaita ikoko. Ndikuone uchiti tocha tocha
neumwe murume uone kuti unofa neni zviedze
uone. Kana usiri kuda kudya zvandatenga izvo
tora unopa mwana wangu.

Chandinogona kukumbira ruregerero


kumbokushainira kwandakamboita sorry
hwaive hwanana plus kusatanga ndafunga.

Mai Brian

Ndakazoti kuchiedza ndokumuka kunoona


Brian sezvo ndaiziva kuti ndaigona kuwana
atorova pasi kare ko aive achagara pamba here
mwana wangu.

Hamenowo iye munhu anga omupenza kusvika


pakukanganwa chero kuti mhama mamuka sei?

Ndakatowana shasha yapedza zvese ave


kutoda kubuda ndokuti, " Kwakanaka here
mwanangu kwaunotadzawo nekundimutaswo
kungomuka uchibuda nekudzoka tarara?
Kunombove nei chaizvo Brian mwanangu
chimbondiudza?

Brian : Asi mungatobvunza kuti


kunombove nei munhu ane mukadzi
anobvunzwa izvozvo?

Me :. Watii Brian?

Ndakasara ndobvunza mhepo atobuda kuenda,


kana kumbozvikatara kuti ari kutaura namai
vake. Saka kureva kuti mwana uyu ari kurevei ?

Haaaa zvandatopazama njere nekuda


kwemashoko aBrian. Kureva kuti ari kureva
Sifiso asi ndiye cheteka ko umwe waangareve
akambomutizira ndiani kunze kwasifiso.
Kanhubu kemwana manje tosvitsana kumapena
akada kuramba akati kwati kwati nemwana
wangu.
Uyezvino mwana wangu ahachina kana respect
nekuda kwake, kanzenza kemunhu. Ndinoda
kutotanga kudzifambira nyaya dzacho
ndinomuwana chete ikoko kwari kugara achiita
basa rekufurira mwana wangu kuti andivenge
ini mai vake.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq

Her own decision


By Linda Mai Peace

0611169903

Chapter 26

*Brian*

Pane imwe nguva yaunotoona wega kuti kune


vamwe vanhu vakatopikwa chaiko. Zvino
munhu aifanira kungoziva zvebasa raakavinga
kwete kuda kufudza Sifiso fanika ndiye wavaive
vakatsvagirwa kuzotevera. Yagara mai
yaindimara iyoyi pahunhu hwayo.

Ndaiyiona hangu nguva zhinji kuti yaida


kuonesa kuita fanika yaitova iyo mai vaSifiso.

Zvino ndikangorambwa chete vanondiona mai


ivava vakasvunukisa.

Tsoma tsoma kuteverana neupenyu hwevamwe


kunge ndiko kugona,ko dai vaigona vakadii
kugadzirisa yavo imba vasina kurambwa?
Zvino munhu anogona kungwarira kudaro
handiti unofanira kungwarira hwako hupenyu
first wozongwarira zvevamwe pashure
wapedza zvako.

Ndakabowekana handidi kungepa Mai yaive


yandivhiringa zvekutoti ndaitoona ndatorambwa
naSifiso and munhu wacho ndaimuziva hangu
kuti zvazvatodai kashoma kumugona nekuti
anodziya musoro. Ndaivewo ndafara kuti
zvaainge azvibvumira ega tanga tave kuita
sunga rudo ko sex ndiyo sunga rudoka
kumunhu waunoda ukangoera warara naye
chete watopedza masports ese.

Ndakazobvapo ndongosvevaira hangu apa iye


Sifiso anga atoenda ahana kana kuda
kumbosiya ataura chimwe chinhu . Zvinodawo
kuti kana mabatikidzwa motauriranawo
nekusimbisana zvino ukaona zvaita sezvizvi
kuti munhu anongopumhuka ziva kuti
patoshata hapambobudi chakanaka..

Ndaizviziva yanga yatove nhamo yangu


kumunyengetedza apa mazuva aifamba zvikoro
zvanga zvave kuzovhurwa saka eish panga
pakaoma. Ndaigona kuzodzokera kuchikoro
pasina chafamba haaa anga atove ma1 angu
chaiwo.

Ndakazoenda kumba ndakadumbirwa apa


pfungwa dzaidyanana nekugaya kuti chiii
chaizotora nzvimbo pazuva raizotevera.
Ndakasvika kumba nekutongorara hangu
semazuva ese ko handiti sadza ndaive ndadya
hangu here?

Hope hadzina kumbouya musi uyu ko pairarika


here nekufunga kuti kambe Sifiso achatii
nezvaive zvoda kuitika angangondiomesere
hake but handinaka kunge ndamumanikidza
and ndanga ndatokumbira kuita akabvuma ega.
Pamwe ndini ndikungozviomesera iye asina
kana basa nazvo pamwe ari kutoshorawo mai
vaya hameno let's hope hapana chinozonetsa.

Ndakazomuka hangu ndonogadzira zvekuenda


kuschool asi muviri wangu waingove low low
kunge kakurukutuka kunge kakungonzwa
usimbe ndaisanzwisisa ini zvandainzwa
chaizvo.

Mom's ndipo vouya vachitotaura zvisina basa


aaaa ndakatozovanyara ndaida kuvaudzisa
chaiko nekuti ndivo vaive vaita kuti Sifiso
abviswe pano nekuda kwehutsinye hwavo
hwavaimuitira.

Ndakangovaudza rimwe chete ndokutobuda


kuenda kuschool zvangu munhu wepi
anokonzeresa.

Zvakatoita zvakanaka kuti vakawana ndapedza


kugadzira zvekubuda chokwadi nebp yandaive
nayo ndaigona kuzotaura zvimwe zvandaitadza
kuzomiririra mangwana.
Ndakawana Sifiso atobuda kuenda pachikoro
asi aive pedo zvekuti ndakamhanya
ndikamubata. Pachikoro pacho paive pedyo
zvapo.

Ummmmm Sifiso aisave nemufaro guys


zvakaita kuti moyo wangu urwadze kana
neniwo mufaro wakabva wangotama
ndakatoona kuti panga pasisina kumira mushe.

Kana palunch chikafu chandakatenga


akachiramba and ndaive ndatoita
zvekumutevera muclass make ahana kana
kumbobuda. Ummmmm mutambo uya wanga
waoma manje ndaizomugona here munhu uyu.
Ndakazongoita zvivindi ndokutaura
zvandaifunga panguva yacho hamenowo kuti
zvakamubata sei nekuti panguva yacho
ndakabva ndatobuda kuenda kumba. Hameno
kana chikafu chacho akachitora
ndakangosiyawo ndati kana iye asingadi
ngaanopa mwana wangu adye hake.

Ndaive ndisina kana simba dzimwe nguva


ndaitombokaruka ndabuda muroad maziso
angu ainge asisanyatso kuona zvakanaka.
Zvinhu zvese zvaiita sezvashanduka muupenyu
hwangu ndaingoona rima rega mberi kwangu.
Chokwadi Sifiso akaramba akashinga
kundiramba hapana chekuraramira apa.
Better kuruza zvimwe zvingu kwete Sifiso zviri
pachena kuti ndiye chete munhu anoita kuti
moyo wangu ugadzikane panyika pano. Hongu
vamwe vasikana ndaive navo asi ndakanga
ndave kuvaignore kubva moyo wangu
pawakadzokera kuna Sifiso. Asi nhasi ndiye
ondiudza mashoko anorwadza kudaro.

Ndakangosviko pinda mubedroom mangu


nekutokiya door nemukati ndokuzvikanda
pabed.

Misodzi yakatanga kuerera yega mumaziso


angu ndakachema pasina aindinyaradza.
Mupfungwa dzangu ndakatanga kurangarira
kubva kumashure ndichitanga kusvika kumba
kwana Sifiso achiona hake mavedio.
Zvose zvakaitika zvakauya mupfungwa dzangu
kusvika tizorara tese nekumboramba kwaakaita
nekuzodzokerazve mangwana acho . Dzimwe
nguva ndaikaruka ndonyemwerera ndagaya
zvaiitika. Ndakarangarira zvakare
ndichimubvisa humhandara ipapo manje ndipo
moyo wangu wakatanga kunyanya kurwadza
zvekuti ndakakaruka ndasheedzera kuti," kwete
Sifiso ndewangu hakuna achamutora uye
hakuna achamubvisa pandiri chokwadi angoda
kuzvizama naMwari kudai anondiona. Ndiri
mudiki zvangu pamakore asi pakurwa
ndinomira semvumba Sifiso ziva kuti uri wangu
kusvika murufu". Neiwayo ndakabva
ndazvinyaradza ndokutokotsira nguva iyoyo.

Mangwana acho handina kuenda kuchikoro


,ndaive ndatoramwa ini ndakaona kuti
ndikaenda kwaive kuzviwedzera bp nekuti
zvaive zvakuitwa naSifiso zvanga
zvisisanzwisisiki. Ndaida kumbomupa nguva
asi mashoko angu ndaizviziva kuti
achatomubatabata. Hameno ikoko chero aziva
chete kuti ndomuda asi parizvino ndoda
kumbotambira kure naye.

Musi uyu ndakamuka zuva rakwira zvekuti


ndakawana mhama vatopedza kugadzira zvese
uye chikafu changa chatova ready.

Ndakageza kumeso ndokunonwa hangu tii apa


ndaingova low low pfungwa dzangu dzaive
dzakatoremerwa uye moyo wangu wairwadza
kuti ndaizoswera ndisina kuona chiponda moyo
changu.
Kutaura pachokwadi Sifiso aive nemafeelings
neni asi nyaya hombe yaivepo aisada chete
kuvhiringidzwa chikoro . Saka ndaifanira
kutozvigamuchira kuti amboita zvechikoro ini
ndiri kure naye.

Mhama vakazouya pandaidya ndokusviko gara ,


haaa ndaisada zvekubvunzwa bvunzwa zvisina
basa mhama ndaivaziva muitiro wavo nenyaya
yaSifiso. Zvino vakangoitanga this time ndoda
kuvaudzisa chaiko hameno zvavo kutsamwa
kana kufara ndezvavo ikoko.

Ndakaita sendaitofemerwa vakabva


vangobvunza nyaya yaSifiso .
Mom : Kandi iye Sifiso anombove kupi
nemwana ndasuwa muzukuru wangu ini.

Moziva zvaitosetsa kana mbavha iri mugwenzi


chaiyo. Mhama vaizama kutii chaizvo kutanga
riinhi kusuwa mwana wangu? Handiti
kutambura kose kondoita uku inyaya yavo
yekuvenga Sifiso kwavaive vakaita? Hazvidi
kudaro vana mai dzidzai kuve nemoyo
wekubereka kwete kuda kunyepedzera kuita
munhu akanaka. Handina kuda kupindura
mubvunzo wavo mhama nekuti
ndakanyatsoona kuti kwaive kuda kundinzwa
chaiko.
Vakazodzokorora kubvunza zvakare ndikati ko
zvambodiiko nhasi nhai mhama mamusuwa
nekuti aitei?
Ahana kumbosanduka uye anongova zvaari
kungoti iyezvino akura chete . Mamubvunza
nhasi ko inga kubva aripano hamuna kana
kumbomubatawo mumaoko enyu? Kuda
mafungaka kuvashungurudza futi? Zvino
zverwendo runo mhama musazvizama henyu
nekuti Sifiso ndiye achave mukadzi wangu
kusvika taparadzaniswa nerufu kuda kana
kusada ndizvo zviripo mhama. Ndati ndigare
ndakuudzai kuti mugare magadzirisa hunhu
hwenyu hwekare muve nehunhu hutsva
hwekuzuva kuti muroora ahavengwe uye
akangofanana nemwana wenyu. Ndatopedza
nemi mhama ndofunga manyatsondinzwisisa
mashoko andataura.
Pandakataura mashoko iwayo ndakaona
mhama vovhura meso kuita kaya kakushatirisa
kumeso kwavo, ndakatoshayawo kuziva kuti
zvarevei.

Vakazoti pave paya ndokuti, " ko zvakaipei


kubvunza muzukuru wangu nhai Brian handiti
mwana wako here ndingamuvenga
ndikasvikepi?Kana wati ndiye wako Sifiso
wacho ko chakagoipa chii ndiko saka ndati
ndoda kuziva kwavari ndasuwa muzukuru
wangu?

Me : Muchirevesa here mhama kana kuti


pane zvamafunga henyu todzoka totyaka kuti
munhu wamaisada from noway makutoti
makumufunga kuti anyanyoitei chaita kuti
mumusuwe?

Mom : Inga vanhu hamuna chakanaka ude


munhu zvaipa uvenge munhu hanzi une
hutsinye zvino ndoziva zvipi?

Chindiudzaiwo chakanaka chandingaite imi


nekuti ini zvandinotaura imi hamugutsikani
nazvo. Saka ndosvikepi ndiri muranda pamhuri
yako Brian?

Ummmmm ndakatanga kudzeya mashoko


amhama kuti vairevesa here asi ndakaona
fanika vairevesa. Ndakatonzwawo kufara kuti
mai vangu vaive vachinja kuva munhu kwaye
chaiye. Zvinofadza sei kuti kana une chinhu
chaunoda vabereki vako vobvawo
vangochifarirawo. Ummmmm apa Mwari vaive
vapindira kana mhama vairevesa ndaizoenda
navo kunoona Sifiso. Kana iyewo Sifiso
akavaona vachiuya aibva afara kani kana neni
ndaibvawo ndawanawo kunyatso
kumunyengerera aizobvuma chete nekuti
anenge akuona kuti mhuri yese inomuda.

Ndakazovaudza hangu kuti kana vaine shungu


dzekunoona muzukuru wavo nemwana wangu
ndaizoenda navo mangwana.

Vakamboda kuti handei nhasi ndikavarambira


ndikati ko kunomhanyirirwei kuenda kwacho
mangwana anongosvika tinongoenda.
And ndainyatsoziva kuti mangwana yaive
weekend Sifiso anenge aripo pamba asina
kuenda kuchikoro.

Yaitova surprise kwaari nekuti anenge asina


kuzvitarisira and anoziva kuti mhama
havamude saka achafara kuona vamushanyira
uye kuona vave kumufarira.

Chandaingoda chete kuudza mhama inyaya


yekuti vasiye hunhu hwavo zvachose nekuti
ndaisazoda dambudziko mberi nekuti izvezvi
hatisi kunzwanana saka maybe vakaenda ikoko
anobvawo adzora moyo wake Sifiso.
*Mai Brian*

Mwari akanaka veduwe anongoita kuti zvinhu


zviite zvega , mufaro wandinawo handigoni
kana kuutsanangura nekuti zvangu zvazoita
zvino.

Ini ndinototi munhu akaenda hamenowo kuti


kupi izvo ari busy hake kuvhiringidza mwana
wangu chikoro manje ndizvo ndisingambodi
kunzwa izvozvo. Ndinoda kuti mwana wangu
adzidze agozopasawo agozochengetawo ini
mai vake. And ndinoda kuti azoroora mukadzi
akadzidza saiye, kwete zvana Sifiso izvo jenga
usavi remunhu . Kutadza kuita zvelife yake
nanga nanga nemwana wangu zvino ndiye
achaudza vamwe this time ndoda kuti afambe
achinhonga zvemumabhini regai muone
ndinombonzi aniko ini.

Chandave kuda kutanga kumuredza sehove


anodyira chete and ndinoda kuti pasawana
anozombondifungira kuti ndini ndazviita. Kana
rudo ndofanira kutodzidzira kuda muzukuru
wangu nekuti mai vake pavanenge vomhanya
bani ndinotora mwana wemwana wangu ko
anozivei zvake? Haaaa mwana ndorera and
ndinenge ndatowana chinondivaraidza.

Takazoswera uchingove mufaro wega wega ko


ndaitadza nei zvangu kufara ini zvangu zvanga
zvatoita nechakare.

Takazonorara hedu mangwana acho


ndakamuka mambakwedza ndokugadzira kuti
tibude tawana chekuisa mukanwa. Ko
kwataienda ndaisakuziva saka zvinoda
kufamba waguta pamwe aitozvitamburirawo
hake nemwana wake.

Brian akazoti handei mhama akabva ati


ndakunoudza baba kuti tichamboenda kwana
Sifiso nemi.

Me : Kwete mwanangu rega kuvaudza


ingovaudza kuti tichambosvika kumashop ,
baba vako hauvazivi here tinogona
kutokoneswa kuenda kwacho. Ndikatadza
kunoona muzukuru wangu nguva yareba Brian.

Akazoita sekutaura kwangu ndokupinda zvedu


munzira toenda kwaisava kure zvakanyanya.
Ndakazofara nekuti ahana kuzoudza baba vake
kwataienda aaaa muchiti ndaizokubvumidzwa
here baba vacho vanonyumwa kunge munhu
akagadzirwa nhova nemusoro wehanga.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq

Her own decision


♣💔💔💔💔💔♣

By Linda Mai Peace

0616317489

Chapter 27
*Sifiso*

Zvanga zvakandiomera shuwa yangu yaitove


nhamo yechikwepa yekuti uku chakarumwa
nemuromo unonhuhwa uku chinotsva. Saka
ndaifanira kuita zvaanoda Brian nenyaya yekuti
aive akabisa mombe kumba kwedu? Ko handiti
mombe dzaive dzekuripa mhosva yake here
saka apa dzave kutaurwa nekuti ndati
handichadi?

Ko nguva yese yaaindishainira aive akanganwa


here kuti akabisa mombe? Ndagarawo ndini
ndakagara ndamujaidza kuti andijairire achiuya
kuno now ave kundipandukira?
Ahadi zvekusekerera ndikasapagadzirisa
handimbochipedzi chikoro chacho ndigozodii
nhaimi?Saka zvotoda ini ndini ndine key
yezvese hongu Brian ndibaba vemwana wangu
asi hazvirevika kuti anongoita zvaada pandiri
kwete. Akarasa ega mukana nguva yandaive
ndadzingirwa angadei akangogara aratidza kuti
anondida asina kumboswera achindishanira
sezvaakaita.

Ipapa ndiwo unonzi mukana wandakawaniswa


nasekuru vaTawe saka ndinofanira kushinga
nechikoro uye kugadzirisa hunhu hwangu.

Ndakazotora madrink aaive atenga ndokuisa


mubag ndaisambonzwa kuda kudya panguva
yacho saka ndainopa hangu vari kumba vodya.
Zvaisaita kuti ndimasiye vanhu vaizotii ?
Ndakazoenda kumba handina kumbosvikoita
nyaya namhamha zvatinosiita, ndakangosviko
tambidza mwana wavo madrink aya ndikati
inwai naTawe. Ndokuswedza mhama
ndokutonanga kunogeza, ndaida kuti
ndichipedza kugeza ndoita zvemabhuku angu .

Mhama pavakaona ndadzoka kunogeza


vakatomboda kuita zvinyaya nyaya neni asi
ndaingove low low vakatopedzesera vasiyana
neni.

Ndakazotora mabhuku angu ndokupinda


mubedroom ndaida hangu kumbodzimaidza
pfungwa nekuverenga.
Ndakapinda ndokuzama kuverenga asi handina
kana chandakagona kuverenga munjere dzangu
maingouya mashoko aive ataurwa naBrian.

Zvimwe zvinhu vanhu tinoomeserana


pakurarama. Ndakazorara ndisina kana kudya
ndaisanzwa nzara.

Ndakamuka ndichigadzira zvekuenda kuschool


ndokubuda kuenda hangu. Ndaifunga kuti Brian
achauya semazuva ese asi handina kumuona.
Ndakafunga kuti zvimwe aive anonoka
aizosvika hake.

Yave nguva yebreak ndakabuda kuenda panze


ndaifunga kuti ndichamuona asi handina
kumuona. Ndakazoona umwe mukomana
waanonzwanana naye ouya pandaive
ndakamira ndikafunga kuti zvimwe aive
atumwa naBrian.

Ndakatongosviko mugamha ndiri ini kuti ko


Brian aripi nhaiwe ?

Guy : Ndatouya kutozobvunzawo iwe kuti


nemhaka yei Brian nhasi asina kuuya ?

Me : Handitoziviwo nini kuti ahana kuuya


uye kuti atadziswa nei ?
Guy : Ok rega ndiende zvangu kungoti
handina phone number dzake ndingadei
ndafona kubvunza kuti chamukonesa kuuya
kuchikoro. Asi iwe mufonere unzwe kuti
atadziswa nei?

Ndakangozobvumira mukomana uya ndikati ok


ndinofona. Asi kutaura hangu chokwadi
ndaisambofona hangu kubvuma kwangove
kuda kupedza nyaya chete.

Moyo wangu wakarwadza nekusauya kwaive


kwaita Brian ko ndanga ndajaira kuve naye
pedyo.
Zvekuve kure naye ndizvo zvanga zvavepo
hazvo asi aitova makata chaiwo.

Zvichingobvawo naiye Brian zvekumhanyira


kuda zvinhu zvisina zero nesu zvino hezvo
zvavhiringidza zvinhu zvose.

Munoti dai kuri kungowirirana hedu tichigara


pedyo napedyo pasina zvakazoipa zvinoitwa
munoti pane chakashata here? Ini hangu
kutaura fair ndanga ndajaira kugara ndichiita
nyaya naBrian hongu vanhu vangafunge havo
kuti zvimwe ndavekumuda asi kusave kwake
pandiri ndaitonzwa sekuti pane chimwe chinhu
chakashota pandiri.

Asi dai takaparadzana mune zvakanaka


ndingadei ndisina stress dzese idzi.
Nguva yekubuda chikoro yakazosvika
ndokuenda zvangu kumba. Sezvo mangwana
yaive weekend musi uyu handina kumboita
zvemabook ndaizozviona mangwana. Ko
ndaizoswera ndichiitei hangu saka ndipo
ndaitozozvipa nguva yekuverenga.

Kwakazoedza ndokumuka kuita basa rese


mhama ndakavati varare havo ndiite ini basa
sezvo ndaivepo.

Ndakaita basa rese ndokupedza, ndokutanga


kubikira vanhu tii ndokunwa havo asi ini ndaida
kuzonwa ndapedza kugeza.
Ndichiri kugeza ndakanzwa inzwi
rakandivhundutsa richitaura mumba. Hana
yangu yakarova kuita fanika ichatsemuka nekuti
inzwi iri ndaive ndanyatsonzwa kuti ndiro
zveshuwa.

Ummmmm panga paoma veduwe chokwadi


midzimu yakupa chironda yati nhunzi dzikudye.
Zvino apa dzanga dzondidya zveshuwa.

Ko iye aive audza Mai vaBrian kuti vauye kuno


ndiani chaizvo asi kuti ndibaba vacho.

Ummmmm ini mai vaBrian ndaisavavenga


hangu asi mumoyo mangu maingove nekamwe
kakuvatya so kandaiita uye kungoti ndikanzwa
inzwi ravo hana yangu yairova zvakanyanya.
Ndakazviudza kuti muno ndaisabuda kusvika
vadzokere , vambovinga chii chaizvo kuno?

Gare gare ndakazoona Tinevimbo osvika


achinoka hanzi sisi mukudiwa kune vaenzi.

Tinevimbo ndiye aive mwana wamother uya


wavakaenda kunotora.

Ndakamubvunza kuti ndiyani vaenzi vacho apa


ndaive ndototyira mwana wangu?

Akataura kuti ndiBrian nevamwe mai vaanavo.


Ndakatoshamisika kuti ko Brian auya namai
vake kuzoitei navo. Pfungwa dzangu
dzakamhanyira kunyaya yemombe dziya
dzaaive ambotaura marimwe zuro. Saka kureva
kuti vauya kuzoreva mombe dzavo kwandiri
here ? Ko vadii kuendesa nyaya yacho kudare
kwayakambotongerwa vanovingawo ini
ndinoziva chiii pazviri?

Ndakamuudza kuti ngaadzokere anotaura kuti


ndinouya. Asi ndaisaenda kwaingova chete
kuwana matauriro aaizonosvika achitaura.

Ndakaramba ndirimo mubath room kuda


kwehour nehalf chaiyo.
Apa ndainzwa nyaya dzichitsva mumba asi
ndaisanzwa kuti vaitaura nezvei asi vairatidza
kuti maifarwa maisave nechakashata.

Ndaive ndatopfeka zvangu ndakangomira kuti


vanhu vaye vatange vaoneka ndozobuda hangu.

Ndakazonzwa knock padoor ndokubvunza kuti


ndiani?

Ndakangonzwa munhu oti, "Sifiso kuchiri


kugeza here kana kuti kusada vaenzi"?
Ndakamupindura kuti," kutanga riinhi Brian"?

Brian : Kutanga nhasi Sifiso iwe hauzive


here kuti zvinhu zvinosanduka mhama vauya
kuzoona mwana hanzi ndamusuwa ndiko
kusaka ndauya navo.

Me : Ok Brian handiti ariko here mwana


ikoko saka ini uri kundikwanisira papi apa?

Brian : Sifiso zvinoita here kuti mhama


vauya kuzoona mwana iwewe woramba
kuzovamhoresa?
Me : Brian please

Brian : Please kudii Sifiso buda uko


ungonovamhoresa hako wobuda wave kuda
kutonyadzisa ini manje Sifiso.

Chibuda tiende tese uvamhorese chete hako


Sifiso, usadaro shaaa .

Ummmmm Brian aitove nebasa hombe chairo


handizivi kuti aida kuti ndiite sei ini . Zvino
ndinotizirepi ndiudzeiwo.
Ndakatanga kuona zvese zvavaindiita zvichiuya
mupfungwa dzangu. Kundinyima chikafu kwese
kwavaiita nekunyepedzera kundida kwavaiita
kana murume wavo aripo.

Ndakazvibvunza ndega mumoyo kuti ko ipapa


ndinoziva sei kuti havasi, ummmmm mai ava
ndinovaziva hangu kunze nemukati havana
kumbosiya hunhu hwavo. Vangazondida nhasi
kuti ndashandei, chii chandavaitira chadzora
moyo wavo?

Ndakazongotevera hangu mushure make Brian


uya ndaive ndofira yekuchengetwa hangu.
Chokwadi vabereki vangu vanga
vazondiomesera havo munoti dai
ndaisachengetwa nemurume wavo
ndaizombobvuma here kuenda kwavari?
Upenyu hunombooma veduwe kusvika
pakushaya choice kuti ndoita sei ?

Ndakasvikopinda mumba muya asi ziso


ravakanditambira naro ranga risina kumira
mushe. Zvakaita zvakanaka nekuti mwana
wavo akabva angozviona
ndokungoti,"ummmmm mhama", ahana zvimwe
zvaakazokwanisa kutaura Brian akabva atogara
ndokutsikitsira kuratidza kufunga zvakadzama.

Ko ivo kungwara vaona kuti vaonekwa kwava


kumhanyira kutaura kuti," hewoka nhai mai
Tawe mwanangu ko kurova kudai chii nhai
vasikana mungabva makanganwawo kuti gogo
vanodawo kupota vachiona muzukuru wavo
here"?

Apa pavaitaura kudaro mwana wangu anga


akapakatirwa kunge bag.

Mumoyo ndakangoti zvakaoma shuwa handina


kumbopindura zvavaitaura
ndakangovamhoresa ndokuvabvunza mufaro
nekutobuda kunovagadzirira chikafu.

Ko ndaizoita sei chero ndimiwo,pamwe vaive


vachinja asi neziso randaive ndasanganidzana
navo vakanditarisa ummmmm handina
kuripihwa mushe.

Ndakanogadzira chikafu fast ndokuuya nacho


kuvapa ndakabatsirwa kutakura naBrian ko aive
achabva pandiri here Brian aitove imwe type
chaiyo aisachinja hunhu hwake.

Ndakanovapa ndokudya havo nemwana wavo


vapedza kudya vakamboti garei garei
ndokuzooneka havo vodzokera kumba kwavo.

Sevanhu vaive vandishanyira zvaisaita kuti


ndirege kuvabuditsa . Ndakavabuditsa ndokuti
tati fambe fambe ndokubvunza kuti," ndaona
mumba menyu makazara mabook asi
munogara nemwana wechikoro here".

Ndakati kwete ndeangu mhamha ndave kuenda


kuchikoro.
Mom : Inga ndiko kugona chaiko handiti
munoona kuti dai musina kumboita zvisina
basa matove mberi nechikoro?

Zvino munozvikunda here naiye Brian asisagari


kumba saka anenge achingova kuno ko
zvechikoro munoita nguvai?

Brian : Mubvunzo vani iwoyo mhamha


mashaya zvekubvunza here ko imi manetswa
nei kupasa kana kufoira munokwana papi
pazviri?

Ndatoti kuda mave munhu boe ini now


makutobuda musaga muri kuda kuzama kuti
zviite sei chaizvo?
Pandakaona Brian otanga kupindudzana namai
vake ndakabva ndangooneka kudzokera kumba,
zvaingova pachena kuti mai vaBrian vaisandida.
Zvino ini ndaivewo ndisisinawo shungu
nemwana wavo paripo paunoshingirira kwete
pakadai. Hameno kuti vaive vafambirei
nekahunhu kavairatidza kaive kasina kujeka
kwandiri.

Ndakatora mwana wangu wavaive vakabata


ndikabva ndamuti iti bhabhai gogo . Apa
ndaitofamba kubva pavaive ko ndaimboda
zvinonetsa here ?

Mai vaBrian vakazoti ko mave kutodzokera here


tisina kumbokurukura.
Ndakashaya mhinduro ini chii chavaida chaizvo
kukurukura neni manje ini izvozvo ndizvo
ndaisada.

Pane zvandiri kumhanyira mhama , and handina


kumboda kuti tozokuonai nekuti ndaisatoda
kugara ndichifambidzana navo nekuti ziso
ravaindipa ranga risina kunaka.

Vakazosheedzera kuti mozopota muchiuya


kumba nemwana mukasauya ndini ndichauya
hangu kuzomuona.

Aaaa zvanga zvakatondiomera shuwa


ndaizopakunda here apa ko icho chikoro
chaizoenderera mberi here kana kuti
vaizozvivharisa havo. Zvanga zvatooma shuwa
paive potoda kunamata zvakasimba , paisada
zinyeke nyeke paitoda kuita sungano naMwari.

Ndaichisvika kumba mhama vakati Mai Tawe


ngatinamate ndaona wasangana nemiedzo
mukuru chaiyo zvekuti ukaita zvekutamba
ndaratidzwa guva chairo mberi kwako and
ndaona warasika jere pasina vhiki mbiri bata
mashoko angu zvadaro unogona kuzongofa
zvisina tsarukano.

Asi ishe vanditi hapana kundiso asi kuti kundiso


mabvi ako kunamata zvakasimba uchichema
kuna Mwari vako kuti vakukundise pachiitiko
ichi.
Moziva ndisina kana kubvunza zvandaida
mhamha vakabva vatopfugama nekutotanga
kunamata . Ndakapfugamawo paya ndokutanga
kunamata tese.

Mumoyo mangu ndakati ndinoda chete


kuvabvunza mhama kuti muprofita here?

Mashoko avaive vataura aive zvino aita kugara


pahuro pangu chaipo ndaizopakunda here apa.

*Mai*
Nhaiwe Brian uri kundiudza kuti Sifiso asimba
kudai chii chakaitika. Uchenjere mwanangu
ummmmm hakusi kusimba kuri kwega uku.

Munhu aingove mutete iyezvino negore chairo


abva pamba pedu harisati rapera but atova
ndurumba chaiyo.

Brian : Mukutiiko mhama ndichenjere


kuita sei ? Ko kana munhu asina
zvinomushungurudza anotadza hake nei
kuzvisimbira.
Mom : Hapana kusimba kwakadai Brian
kubva aumbika kudai maARV chete ndiwo
anosimbisa kudai. Kana munhu ane chirwere
akatanga kunwa mapiritsi echirwere kana
akamubvuma anosimba kudai sezvaita Sifiso.

Brian :. Yaaaa manga mune basa chokwadi


ummmmm ndazobvuma hangu , chirwere
akachiwanepi Sifiso.

Saka nzara yekumunyima chikafu kwamaiita


ndiyo yakaunza chirwere here?
Mom : Ndipo unonetsera ipapo Brian
unotoda kuzviita munhu anoziva kudarika ini.
Ndaona zvakawanda nemeso angu aya ndiri
munhu mukuru ini. Kana uchiti ndinonyepa
handiti unoziva mwana wekwaSithole uya
Tambidzai akafirwa nemurume nacho chirwere
aingoita nhumbu dzichibva kusvika murume
chirwere chazobudikira akafa. Iye akasara
ndokurwara zvaityisa taitofunga kuti anofa isu .
Ndipo pakazotanga zvechirongwa ndokuendwa
naye nevabereki vake muchipatara
akangosviko batwa chirwere nekutopihwa
guchu rake remapiritsi. Pasina mwedzi anga
atochinja mwedzi miviri aaaa anga
otodonhedza musika.

Ndizvo zvandatoona pana Sifiso anotonwa


chete hakusi kusimba kuri koga uko.
Brian : Haaa saka zvinoenderana papi
naSifiso zvamuri kutaura izvozvo mhama.
Ummmmm mhamha mune basa muitiro
wenyuka uyu dai mausiya . Kana muchiti Sifiso
anechirwere akachiwanepi?

Mom : Rega ndinyarare ndamba kuudzwa


akaonekwa nembonje pahuma mangwana
usati handina kumbokuyambira kana zvazoipa
ndanga ndiri kuda kungokuonesawo hangu
semwana wandakazvara.

Takazosvika hedu kumba asi Brian anga asiti


kwindi kunditsamwira nenyaya yaSifiso. Manje
aisandiziva mushe and aitoratidza kuti aive
nenharo pana Sifiso. Ndakambozama kuti
Sifiso murwere asi zvakashaya basa nekuti
Sifiso wacho aitoratidza kumuda nemoyo wose.

Haaa uyu mwana aive atondikona ndaitoshaya


kuti zviri pai saka pandakaona akaoma musoro
handina zvangu kuda kuramba ndoitisana nharo
naye asi nyaya yaivapo kungoronga tsoro yangu
ndiri ziii. Ko zvandaida kuziva zvanga zvaita and
this time anokaura chete Sifiso nguva yareba
achindishungurudza munhu uyu.

Iyezvino ndave kugara seshirikadzi iye murume


ndinaye mumba haaa chero vanhu vakatiii
handidzori tsvimbo. Mwana wepi anouya
mumusha mevanhu kuparadzanisa tezvara
navamwene kana ndimi ndopanga
chinemutorwa here kuita fanika chine
hanzvadzi yangu haaa izvo bodo tinosotana
chete toda kuona anorihwinha game racho.

Ndaifunga kuti Brian ndikamuudza izvozvo


zvekuti anonwa mapiritsi aibva angosiyana
naye izvo ndini ndaitozvinetsa. But
ndaisagumirwa ndaitoda kurova simbi ichiri
kupisa.

Tichisvika pamba baba vacho vaive


vatondimirira pachivanze chaipo vairatidza
kubatikana zvakanyanya ndakatoziva kuti
chabvondoka dai ndikasarohwa hangu.

BaBrian : Mai Brian uri kubvepi ?


Pavakabvunza ndakamboita kakupererwa
chaiko kushaya kana mhinduro kuita fanika
shaya dzangu dzaoma. Hameno kuti nemhaka
yei zvadaro handisati ndambozviita ini.
Ndakazoti pava paya ndokuti tanga tambosvika
kumagirosa.

BaBrian : Tipei zvacho zvamanga


manotenga buritsai tione .

Apa vaive vakatomira kuratidza kushinga pane


zvavaitaura unopererwa kani apa ndaive ndisina
kana plasticbag zvaro.
Ndakaramba ndangotuzura meso ndishaya
kana kuti ndotii?

BaBrian. : Unoda kundiona sechidhoi


chako haikona unofunga kuti wakangwara
kundidarika naiye Brian anotofunga kuti ana
mai kusatoziva kuti aikugwegewa unoti
handikuzivi hunhu hwako zvive zvakanaka
handidi kuzonzwa chimwe chinhu chinoitika
pamwana wevanhu madhiri ako ndamabata ese
.

Moziva ndakanga ndatopusa chaiko kana


gumbo rakaramba kusimuka kubva paya
pandaive ndakamira. Baba ava yaive n'anga
here kana kuti muprofita kana kuti vaitotamba
haaa ndakatozvishayawo ini.

Ivo ndivo vakazoridza tsamwa ndokubva


pandaive ndakamira , zvinhu zvacho soka
zvairamba zvichingoipira kuside kwangu.
Pandinenge ndoti zvimwe ndave kuzowanawo
mufaro ndipo zvinobva zvawedzera kuipa.
Zvinoda kuti ndidii chaizvo nguva yareba
ndichishungurudzika kubva pangopinda Sifiso
muno mumusha hapana chakazombondinakira.

*Baba Brain*

Mukadzi uyu aifunga kuti akangwara zvino


kwandiri aitotambisa nguva yake.

Zvaakatorana naBrian vachiti vari kuenda


kumagirosa ndakangonzwa kakunyumwa ndipo
ndakasara kutevera zvangu zvishoma
nezvishoma apa ndaive ndasiya mota kumba.
Ndaida kubata shuwa kuti vaienda kumagirosa
here?

Ndakaona vanhu vosiya nzira yekumagirosa


votora inoenda kuchikoro ndikaziva kwaiendwa.
Ndakabva ndangodzokera kumba nguva iyoyo
ndokunopin da mumotikari yangu ndakairova
neimwe road yekuseri ndaisada kuti vandione.

Ndini ndakatotanga kusvika ivo vasati ,


ndakasvika pachikoro ndokupaka mota yangu
pakadzikatira payaisaonekwa nevanhu vanenge
vari kudzimba dzematicha.

Iniwo ndokunopinda muclass room yaive


yakafuratira kudzimba dzematicha and ndaida
kuona zvese zvaizoitika nekuti class yacho
yaitove pedyo neko.

Ndakapinda ndokutora chair yangu kugara


pachikona pedyo nehwindo ndaida kuona zvese.

Ndaiziva kuti vakada kuita musindo mai ava


ndazomhanyako nenguva.

Munhu wandakashaya kuti agarwa nei ndiye


Brian , ko chaive chamupinda chaizvo kuti ainde
namai vake kuna Sifiso chiii ? Mai vake
vaaingoziva kuti vaisada Sifiso zvachose.
Kungoti semwana anenge achitovimba namai
vake kashoma mwana kuona kuipa kwamai
vake chero akazviona kazhinji vana
vanongonyarara havana zvavanogona kutaura
nekuti ndimai .

Zvino apa ndipo anga azopisira hake Brian


ndaitoona kutanga kwehondo hombe chaiyo
ndaizozvikunda here?

Mai ava kungoziva chete pana Sifiso


ummmmm makata chaiwo rinenge ratove
rimwe basa randinenge ndatoparirwa.
Ndakagara kwechinguva ndirimo muclass muya
asi handina kuona kusvika kwavo moyo wangu
wakatombofara kuti zvimwe mheno kwavanga
vachienda.

Ndaive ndotofunga kudzokera hangu kumba ko


ndaizoswera ndakarindei vanhu vaisauya zvaive
zvave pachena kuti pamwe vaenda kune amwe
mashop.

Ndave kutoda kusimuka ndipo ndakaona vanhu


pfacha pfacha kusvika paya. Hana yangu
yakatomborova zvakasimba, ndakazodzokera
kugara pachair ndiripo pawindow paya
ndomirira zvaizotevera.
Ndakagara nguva yakareba pawindow paya
ndakangotarisa chete kuti chii chaizotora
nzvimbo.

Vakaita nguva varipo ndakatoona kuti paive


pasina musindo asi munhu wangu ndomuziva
ndaitofanira kumungwarira.

Vakazoti kwatova kumasikati ndipo ndakaona


vanhu vofamba kubuda vachiperekedzwa
namai Tawe.

Ndakatomboseka hangu ndiripo pahwindo paya


ndikati mukadzi akangwara uyu ipapa kune
zvatorongwa zvino tiri tese nemumvura
tinopinda kana ada handimusiye achiita kuda
kwake kana ndiri mupenyu tichasiirana
kwamvura yacheka makumbo mirai henyu
muone.

Pandakaona voperekedzana ndipowo


ndakabuda kunopinda mumota mangu
ndakananga kumba nenzira iya yandaive
ndabva nayo. Vakazosara vosvika
ndatovamirira kare.

Ndakazovabvunza kuti tipei zvamanga


manotenga ndipo ndakaona munhu otuzura
meso kuratidza kupererwa nekuti aive aona kuti
ndamubata madhiri ake.
*Brian*

Ndakatozozviona kuti ndaive ndashandiswa


namhamha rudo chairwo vaisava narwo
kutaura chokwadi.

Sifiso vaisamuda zveshuwa nekuti kubva tisvike


kwana Sifiso ziso ravaimupa ndega ndakatoona
kuti pane ruvengo rukuru. Ko iko kuzoti ane
chirwere aaaa mhama vangu bodo
ndavasarenda ,ndakatozviona kuti ndaive ndaita
dzungu chairo kuenda navo. Apa zvikoro
zvanga zvave kuvhurwa mwana wevanhu
aizosara akachiona chokwadi ndaive hangu
ndamuparira.

Tichisvika pamba ini ndakangonanga muroom


mangu ndokusiya zvichitongesana namudhara,
ini ndaivewo ndotozvitongesa kuti ko ndanga
ndapindwa nei chaizvo.

Ndakasviko zvikanda pabed ndokutanga


kugaya mashoko anga achitaurwa namhamha
ekuti Sifiso ane chirwere.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq
♣💔💔💔💔♣

Her own decision


By Linda aka mai Peace💓
0616317489

Chapter 28

*Brian*

Ndakatanga kugaya nyaya yaive yataurwa


namhamha yechirwere. Asi kuti Sifiso angaite
chirwere achiwana kupi chaizvo, ummmmm
handifungi ini kuda kana akatozvarwa hake
nacho.

But angadai aimborwara rwara ndakamuziva


kare munhu uyu apawo mhamha vanenge
vanyepa inyaya yekusamuda chete. Ko iko
kuzoita sevanomuda ko nemhaka yei vave
kumurima kudai.

Apa ndikasangwarira mhamha vari kuda


kundioresa moyo chete ko nemhaka yei vati
tiende kunoona mwana kureva kuti vanga
vachizviitirei kana moyo wavo usingadi Sifiso
ummmmm apa pane nyaya apa.

Regai tione kunowira tsvimbo nedohwe but


moyo wangu handifi ndaubvisa pana Sifiso
kana vachiri vakamaka vari kutamba havo
nenguva yavo Sifiso ndiye wandisingasiyi
nyangwe zvidii.
Chandinoda kuita chete kumupa nguva kana
neni ndoda kuzvipawo nguva.

Ndadhuva kurivara ndingadai ndamukumbira


kuti anditenderewo kupota ndichizotaura naye
pafon, ko munhu wachoka ahana manyanisi
unogona kusadairwa paphone pacho.
Saka zvaive zvekutotanga ndamukumbira
kuitira kuti asazondinyavhurisa.

Kwakasvika pakusviba ndisina kumbobuda


muroom mangu. Ndaitozeza kuenda kukitchen
kuna mhamha nyaya dzavo dzaindibowa
zvisingamboiti nguva zhinji kwaingova kutaura
zvisiri izvo pana Sifiso.

But mudhara anga akapenga hake kkkkk aive


atozviziva kuti tanga tisina kuenda kumashop.

Yooo ndiko kunonzi kumira nemunhu chokwadi


Mwari ngaavaitire zvakanaka vane rudo
rwechokwadi kwete rwemaruhwe ruhwe
sehwamamha.

Mangwanan handina kana kumuka ndichitaura


nemunhu ndakangomuka kuchinja nekutobuda
ndakanyarara ndakananga kwana Sifiso ndaida
kuti ndiwane asati abuda kuenda kuchurch
pane zvizhinji zvandaida kutaura naye nekuti
zvikoro zvanga zvasara nemadays mashoma
kuvhurwa.

Ndakasviko wana vachitove busy kugadzira


zvekuenda kuchurch saka kana nguva
yekutaura naye ndakashaya tiri pedu tega.

Zvaive zvatovewo zvekuenda kuchurch kwacho


ko ndaigoita sei ndaifanira kutozvininipisa kuti
chichemo changu chigonzwika.

Takazooenda hedu kuchurch kuya kwaisava


kure church yacho yaingopindirwa pachikoro
pakare. Sifiso wacho aisanzwisisika zvaari uyu
kuita fanika aive akangosuwa suwa.Zvaibva
zvaita kuti moyo wangu unyanye kurwadza
nekuti waiva wagara uchitongorwadza
nemashoko aya aaive andiudza kuchikoro.
Zvonova zvakapa kuti ndiramwe kuenda
kuchikoro kwacho. Ndaikuenda sei iye munhu
achingomudhura uku achiramba zvandinenge
ndatenga.

Haaa zvinhu zvacho unotoshaya kuti woita sei ?


Takapinda zvedu church apa vanhu vacho
vaiimba zvekuti chero usingadi kubvumira
waizopedzesera watove shasha chaiyo. Ko
kuzoti iyo mharidzo yacho yaikomborera kani
ndakazviudza kuti iye zvino paholiday pega
pega ndinoda kupota ndichizopinda hangu
church.

Takazobuda hedu muchurch atova masikati


chaiwo Sifiso kana kumboda kundipa mukana
wekuti titaure pedu tega zvanga zvakatooma
chaiko.
Ndakafunga kuti aizondiperekedza kana ndave
kuenda kumba izvo ndaitozvinyepera hangu.
Ndave kuenda kana kuita action hake
ndakatozoona kuti ingatofa kwangu ndokuti
Sifiso ndiburitsewo shaaa.

"No ndiri busy "

Ndiyo mhinduro yaakandipa iyoyo


ndokutonyarara zvake mwanasikana akabva
atotora maearphone ndokuisa munzeve haaa
unopererwa kani. Ndakambofunga
kunomudhonza zvenharo asi ndakatoona kuti
ndipo panga pachazofira tsoro yangu.
Ndakazongoshinga kuenda hangu asi moyo
wangu wairwadza nekuti ndanga ndisisina
imwe nguva yekuzoonekana naye ndainge
ndoda kudzokera kuchikoro.

Ndakatanga kufamba zvishoma nezvishoma ko


simba rekufamba segentleman ndairiwanepi
hangu.

Zvaive zvisisaiti kuramba ndichidzoka nekuti


maitiro aive oita Sifiso ndaisamanzwisisa asi
ndine chokwadi kuti nyaya yaivepo hombe yaive
nyaya yechikoro chete. Nekuti Sifiso zvechikoro
aive akashinga hake handidi kunyepa.
Ndakazogara week rese ndiriko kumba asi
ndaisazvipa mukana wakunyanya kufunga
nezva Sifiso , ndaivewo ndoshinga nemabook.
Ndakatoona kuti ndikaita zvekutamba hapana
chandaizobuda nacho muform six yangu.

Zvikoro zvakasara zvovhurwa ndatovako kare


ndaive ndave neshungu manje nechikoro ko
ndaive ndagara ndichigona hangu pfungwa
dzekuda mukadzi ndidzo dzaive dzoda
kundidzosera kumashure.

Asi parizvino ndanga ndaisa zvese kunaMwari


kana ari wangu taingozooroorana and aizomira
neni chete. Asiwo kana asiri wangu aizotorwa
hake newake. Kana pari pakuzvibata
ndaimutemba hangu Sifiso aisada
zvinomuvhiringidza chikoro ini ndini ndaive
ndatova miedzo yake.

Kwapera 2 weeks ndiri kuchikoro


ndakazofonerwa namudhara vachiti .........

*Mai Brian*

Ndakamboita zvimazuva ndichida kurivadza


vanhu kunyanya ivava baba vabrian vaiita
fanike vakadyiswa naSifiso kuita kumufudza
semombe ummmmm zvaitotyisa chaiko.
Kwapera mavhiki maviri ndakaona kuti munhu
wese anga arelaxer ndipo ndakatarisa paya
pandaive ndakaviga zvimushonga zvangu.

Ndaive ndakanzi ndinongosasa chero pachinhu


chaanobata chete ave iye ega anongobata
nekuti zvikabatwa nevakawanda vaigona
kuzofira dzisi dzavo.

Ndakatarisa ndokuwana madhiri angu ari sorted


chaive changosara ndini chete kuchipedza basa.
Mangwanan acho yaifuma iri sunday saka
ndipo ndaida kuzonosota maths dzangu.

Ndakamuka makuseni seni ndokuita basa


rangu rese ndokupedza. Ndakafunga kuti baba
ava vachamboti nzveee zvavanosiita asi musi
uyu avana kana kumbobva pamba kuita
sevakatopikwa chaiko.

Ummmmm dhiri rangu rakazokundikana musi


uyu nekuti ndakashaya mukana wekubuda,
baba vaya vakaswera pamba . Ndaizozviona
mangwanan vaenda kubasa ndaida kuti
vachingobuda chete ini ndotongotevera.
Vaisambondiona handiti vane mota ini
ndaizotevera zvangu ivo varova pasi. Ndaisada
kana kusvika kumba kwana Sifiso
ndaizonomumirira munzira yekuenda kuchikoro
and ndaiziva zvandaizoita kuti ndiwane mukana
wesota zvinhu zvangu.

Musi uyu ndakanonokerwa nekuedza raitova


zuva guru rangu and ndainyatsonzwa kufara
kuti munhu uya anondishaisa mufaro
muhupenyu hwangu ndiye manje ave
kuzoushaya iye mufaro wacho.

Ko ini inogondibata papi? ko munhu akapenga


hake anenge apengeswaka nevekumusha
kwake saka ini kuside kwangu kuri boe.
Kwakazosara koedza ndatopedza basa rese.
Vachingobuda chete ndakabva ndatopindawo
munzira kuenda kwaSifiso handiti aiti
akanganwa zvino nhasi tinosanga toda kuona
akangwara iye neni. Achenjere nhasi kuvirigwa
varume vongotapa ko handiti anenge openga ko
kupenga kunosiyanaka anogona kupenga
achikurura hembe zvino munoti nekubatana
ikoko kwaakaita akasangana nemurume
angamurega here achiti ibenzi. Handiti
anotofara kuti ndazviwanirapo.

Ndakazozvisvika pachikoro nechinguvana


handina kumboona kuti ndasvika sei nekuti
nzira yese ndanga ndiri busy kufunga
mapengero achazoita Sifiso. Mwana ndiye
wandaizotora hangu ndochengeta muzukuru
wangu,ko zvinhu hazvizikanwika ndiye anofuma
okuchengeta mangwana.
Handina kunanga pamba ndaida kunomurindira
mberi munzira yake yokuenda kuchikoro.

Ndakamira paive nezvikwenzi apo


ndaisaonekwa zvangu kana nani.

Pasina nguva ndakaona hoyo Sifiso kuuya


akabereka satchel kumusana ndikati enaro
nhasi zvakuwanawo wajaira kundigarisa nzima .
Ndakatanga kufamba kuita fanika munhu ane
kwaari kubva kuti tinosangana.
Tisati tasangana asi tave pedo kusanganga
ndipo ndakati hewozve mwanangu. Inga
unokasiria kuenda kuchikoro munotanga
nguvaiko?

Sifiso : Mamuka sei mhama tinotanga


na7. Kwakanaka here ko muri kubvepi
makuseni akadai?

"Ndiri kubva hangu paChitsva apo madhongi


avo arara pangarani achidya chibage saka
ndiwo ndanga ndaenda nawo kunovaudza kuti
vachengete zvipfuwo zvavo".

Sifiso : Ndanga ndatoshaya kuti muri


kubvepi nekuti ndokuzivai musingawanzo
famba mumaraini.
Me : Uri right ipapo ini zvemudzimba
dzevanhu handidi unondiziva wani.

Zvino zvawave kutoenda kuchikoro ndanga


ndati ndidarike ndichiona chizukuru changu .

Sifiso : Endai mhamha muchimuona ariko.

Me : Chingomhanya unomutora
ndizomuona hangu 5 minutes ndozongobva
ndogurira.
Sifiso : Ok regai ndimutore.

Me : Chisiya bagzve mwanangu ufambise.

Akabva angobisa bag riya kumusana


ndokurikanda pasi ndokutanga kumhanya
achidzokera kumba.

Ndakatangawo kutora chipepa chaive


nemadhiri angu muhomwe.

Ndakaenda paya paive pasiiwa bag riya


ndokuvhura zvishoma, ndokukuturira
zvimushonga zvese zviya muhomwe yebag .
Sifiso nhasi ndazokubata waiti wakangwara
kuswerondionesa nhamo pamusha pangu
satan wemunhu. Ndakamataura mashoko aya
ndichivhara zipi yebag. Ndokutobvapo
ndonomira zvangu nechekure. Ndaizviva kuti
kungonovhura bag riya zvinochinyana chete.
Haaa uku ndiko kunonzi basa ndasiya ndapedza.
Ndakatomboda kuenda asati auya ko ndaive
ndichamirirei iro bsa raive rashandwa.

Ndakangozoona ndega kuti zvaisaita


zvaimakisa ndokubva ndamumirira.

Iyewo ahana kana kumbonoita nguva anga


atodzoka akabatira mwana mumaoko
ndokusviko nditambidza.
Ndakanyebera kufara kani ndikati hewoizve
nhai mai Brian munouya kumba kuzogara
nagogo venyu riinhi?

Chigoti tana chimwana chiya kundiramba kuita


kuikwatsura mhere kana kuda kubatwa
nemaoko angu. Moziva kuti zvongonyadzisa
here kurambwa nemwana especially
nemuzukuru wako apa unenge waita manyawi
uchiropodza kutaura uchida kumugamychira iye
obva aramba zvake.

Semunhu aisapererwa ndakabva ndangoti


chimudzoserai ndozomuona rimwe zuva
mupote muchiuya nemwana kumba honai
iyezvino ave kuramba gogo vake.

Asi musi uya wandauya nababa vake ahana


kumbondiramba wani?
Sifiso : Zvemwana mhamha
zvinongichinja chinja . Regai ndimudzosere
ndingatononoka hangu kuchikoro.

Pakanaka mwanangu neni chiregawo


ndimhanye kumba hakuna chandambosiya
ndaita.

Ndakazopinda neimwe nzira yekugurira


ndoenda hangu kumba.

Munzira mese ndakafamba ndichiimba kasong


kaye kaCephas Mashakada kekuti basa ndasiya
ndapedza. Chokwadi ndaivewo ndapedza
ndanga ndongomirira kuzonzwa shoko kuti
huyai mutore mwana wemwana wenyu kuno
mai vake vopengal.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq

Her own decision

♣💔💔💔💔💔💔♣

Story by
Linda aka mai Peace

0616317489

Chapter 29

*Sifiso*

Kubva musi wataenda kuchurch naBrian ahana


kuzodzoka zvakatondinetsawo ini kuti ko
nemhaka yei asina kudzoka. Apa zvikoro
zvanga zvisati zvavhurwa saka aifanira kuuya
kuchikoro.

Musi wekutanga ndakati kuda munhu pane


zvamubata akatadza kuuya kuchikoro.

Ndione hezvo vhiki bhaaa munhu kana


kuonekera pachikoro apa baba vacho vanga
vakabhadhara mari yekuti adzidze kusvika
holiday yapera. Haaaa ndakabatikana handidi
hangu kunyepa.
Ndakatombofunga kubvunza baba vake kuti ko
nemhaka yei Brian asiri kuuya kuchikoro.
Ndakatongozozvidzora asi moyo wairwadza.

Kutaura chokwadi Brian ndaisada kumushaya


hameno kuti nemhaka yei?
Vhiki yakasvika pakunopera ndichingove low
low kana kunamata chaiko kwandaive
ndaudzwa namhama vandaigara navo
ndakatadza ini asi kuti ndaingonamata hangu
semazuva ese semugariro wangu, kwete zviya
zvekutoita serious nekunamata.

Haaaa zvimwe zvinhu zvinofizura shuwa regai


vakuru vakati chinonzi regedza ndechiri
mumaoko chiri mumoyo nyangwe ukazama kuti
ukanganwe nezva zvinoramba. Iwo moyo
unoramba uchingorwadza uchifunga. Izvi
zvaitomboda kunamata nazvazvo nekuti
kuzomufunga Brian kwacho kwaizonyanya
ndaibva ndatopera mufaro wese. Mazuva
aifamba ahana kumira zvikoro zvakasvika
pakuvhurwa Brian asina kana kumbotsika
kumba kwedu izvi zvaitoshura chimwe chinhu
chete chero ndimiwo mungati kuita here ikoko?

Brian kutaura pafair moyo wangu waimuda asi


ini ndaizama kuzvishingisa kuti asanyanya kuva
pedo neni nekuti zvaizokonzeresa. Pamazuva
awaya andaisamuona ndaifanira kutofara kuti
zvaita zvakanaka hakuchina chinogona
kuzondivhiringidza nyaya dzechikoro.
Asi idzo pfungwa dzaaa kufungana naye
unotoshaya kuti zvakambosikwa sei ?

Ndanga ndave kutodzikira muviri wangu nekuda


kwekusurukirwa nekufunga Brian.
Ndakazozviudza ndega kuti uku ndiko kwatove
kupenga chaiko kwandaiita. Ndakazoshinga
zvakatanga kubuda mandiri zvishoma
nezvishoma zvekuti paweek repiri ndaive
ndatojaira ndainge ndoita zvechikoro manje.

Mhama vandaigara navo vaive votondibowa


maitiro heee namata heeee pane zvinoda
kuitika. Ko kana wazviona chingondikundisaka
kwacho zvisaitike sezvo uriwe wazviona.

Ndaingozvinamatira semazuva ese ini ,


ndakaguma ndovaignore kana votaura ndaida
kuzozviona zvacho zvavaireva ini ndaisabeliever
chiporofita ini ndaingoziva kuti mwari ndivo
vandikundisa chete.

Ndakazofara rimwe zuva ndichisangana


nambuya vaTawe , vachiti ndinotora muzukuru
wavo kuti vazomuona.

Zvaitombochenesawo moyo kuona mbuya


vemunhu vachiratidzawo kufarira muzukuru
wavo.

Ndakazovasiya vakamira havo ndomhanya


kudzokera kunotora mwana.

Moyo wangu waiita kufara kani mbuya vaTawe


vanga vachinja zvechokwadi .

Zvaifadza kuti ugare mumhuri inokufarira .


Ndakazouya nemwana ndokuvapa asi
pandakanotora mwana mhamha vandinogara
navo vakamboda kuti pano nepano.
Ndakavaignore ini ndokungosimudza mwana
wangu ndakanyarara. Vakasara vachindidaidza
asi ndanga ndatoenda kare munhu wepi anoda
kupesanisa.

Haiwa icho chiporofita chacho chongosutsira


pandiri ko vanodii kumboporofita vamwe vanhu
tigutsikane kuti vari kushandiswa naMwari
zveshuwa.

Kana kuchurch yacho yavainamatira


vachiporofita ndaisakuziva ini aaaa zvimwe
zvinhu soka zvinoda kutanga wafunga shuwa.
Mhama pavakapedza kuona muzukuru wavo
ndakazomhanya kunomusiya zvakare
ndakangosviko daidza Tinevimbo ndikati huya
utore mwana, akatouya achimhanya akati sisi
hanzi namhamha musaende musina kuvaona
varimo mumba umo.

Handina kumupindura Tinevimbo ndakatoona


kuti ndinganonoka kuchikoro.

Ndakamhanya zvangu kudzokera kwandaive


ndasiya bag rangu .

Ndakatomboseka zvangu nekujamuka kwaive


kwaita Tawedzerwa achiramba kubatwa
nambuya vake kuita kuchin'a mwana zvaasati
amboita ndatonzwa kunyara nezvaaita. Asi
vamwe vanoti ukaona munhu achirambwa
nemwana kudero pane chinenge chakashata
pamunhu iyeye. Ummmm asi zvimwe hazvidi
kuteedzerwa unopedza kuvenga vanhu
nekutaura zvinhu zvenhema.

Ndakabva ndatodzikandira kure pfungwa


dzacho ndichinhonga bag rangu nekutoribereka
kumusana. Ndokutotanga kumhanya sezvo
ndaive ndati nonokei. 3minutes ndanga
ndatosvika pachikoro asi zvandaive ndonzwa
zvacho bag raive roita kundirembira apa
musosoro wangu wanga worwadzira kure kure.

Mai Tinevimbo
Sifiso handina kuziva kuti aishandiswa
nemhepo zvakadaro.

Chokwadi kana museve woda nyama inoita


kuuya yega. Sifiso anga azvipaika muruoko
rwewakaipa.

Ndakatozama kuudza Tinevimbo kuti sifiso


asaende asina kundiona , asi ndakasara
ndobuda panze sifiso atodzokera nechekare.

Apa vamwene vake vanga vatopedza basa kare


zvanga zvaoma kani . Chero kuti nditeere
kuchikoro kwacho it was too late dhiri ranga
ratobuda bhobho kare. Ndaitozongomirira
stage 2 nekuti stage 1 vanga vatoihwinha.

Ugoona ndaigaro muyambira sifiso namata


ndaoneswa miedzo mihombe mberi kwako asi
aingoita zinyeke nyeke.

Aitofunga kuti zvimwe ndaida kumupesanisa


navamwene vake. Zvino aizotenda awona
saThomas. Kubva musi wavauya pano ndaive
ndatoratidzwa kuti vaitove nemission dzavo
dzavaironga uye dzavaive vafambira kuzoshora.

Hongu vazviita havo asi rwendo runo


tinosangana kunotsva badza kuchisara mupini.
And patori nenyaya hombe chaiyo ndaona
pafumuka zvakawanda.

Vanhu vaisaziva kuti ndainzi chazezesa


mutunhu unemago. Zveshuwa pabasa raMwari
ndaimira and nhubu ndidzo ndaidealer nadzo
seivava mai this time tinosvitsana kumapena
chaiko. Asi poda kutoshinga nekuti hapazi
kundijekera .

Ndakabva ndatotanga kunamata nguva yacho


nekuti zvinhu zvanga zvisina kumira mushe.

Mai Brian
Kwandiri wainge wangove mufaro wega wega
zvekuti ndakasvika kumba ndichiimba dzimwe
nguva ndaitombojaivha zvangu muroad. Ko
kutyei iwo musungo wandakabvira kuzama
kuteya kare uchiramba kubata asi wanga
wazobata saka muchiona ndichipemberera
nekufara kudai. Mwari ndewemunhu wese
ahasi wemuridzi ndizvo chete vanhu tinofanira
kuziva tikangoziva izvo tinenge tatopedza
masports ese.

Hanzi havasi vese vanoti Mwari Mwari


vachapinda humambo hwedenga ndizvo
bhaibheri rinotaura . Ragara denga harina
manyanisi hazvishamisi iyeni mai Brian
kutopinda ndichimhanya zvangu ko ndotadza
nei makambondiona here kumba kwevanhu.
Kana kuti ivo vanhu ndivo vanouya pamba
pangu kuzondidenha vachindikonanisa
nemurume wangu konzi nyarara chete haaaa
maya.Zviripoka zvekunyararira kwete
zvekushaiswa murume nemwana wazuro. Zvino
nhasi tasangana tinoda kuona anohwinha iye
neni ndamuregerera nguva yareba mwana iyeyu.
Izvozvi hazvishamisi kuti paari kugara ipo paya
vari baba ivava vakamutsvakira. Izvozvo ndizvo
vanogona chete mumba vachiita fanika ngavi
manje nhasi ndavapedzera pachimuroora chavo
chavanoda kuita fanika vanorara nacho, mirai
munzwe. Ndoziva kuti vanouya riri bhuru chairo
kufuta nenyaya yaSifiso kana atanga kumhanya
bani. Ndoda kuona kuti vanonomurapisa kupi
nekuti n'anga irimuno munharaunda ndimbuya
vaDhela chete.

And ndikutofanira kumhanya kwambuya


vaDhela kunovatsindidza kuti vasambomurape
nekuti vanogona kuzovingwa nerweseri kuti
tibatsireiwo pamunhu uyu.

Saka sen'anga uye nekuda mari vanogona


kutomuroonora,plus pamwe vanenge
vasingatozivi kuti ndiye munhu uya
wavakandipira mushonga kuti ndimusote.

Ndakaona kuti kufunga ndisina zvandiri kuita


kwaitova kupedza nguva , ndipo ndakapinda
mumba kunotora mari . Ndaida kunosiya
ndavapa imwe mari kuitira kuti
vasazonyengereka nevanenge vauyira shure
nekuti ndaitoziva kuti sen'anga yaive
nemukurumbira vaitozovingwa chete kuti
vabatsire panyaya iyi.
Ndakaita kumhanya mukadzi mukuru kuita
chana chaicho ko simbi inorohwa ichapisa
hazvidi kuzoti dai ndakaziva
ndakangokurumidza hazvizobatsiri chinhu
nekuti inenge yatova pfungwa yebenzi.

Pasina nguva ndaive ndatopindira pambuya


vaDhela and lucky ndakawana varipo.
Moziva dzimwe nguva kana zvinhu zvako zvoda
kukuitira zvinobva zvakuitira nyore nyore.

Handina kuda kusvika ndichitambisa nguva


kana kugara chaiko handina. Ndakabva
ndangovabatisa nyaya yaivepo
nekutovatsindidza kuti vasazofa vakabatsira
munhu akaita sewandaive ndavaudza.
Vakabva vangondibudira pachena kuti basa iri
variita nekuda kwemari saka kana munhu
angouya nemari chete ndaitoita basa rangu
nekuti ndiro raitondiraramisawo.

Ndaizviziva kuti ndiwo mabasa en'anga


ahakoshesi customer yawo chinodiwa imari
chete ndakavaudza kuti musatye mbuya mari
pano ndipo pairi.

Regai ndisiye makabata nepapa gogo. Apa


ndaiva tapimbidza dzatsi remari randaive
ndangotora paichengeterwa mari nababa Brian .
Ndaive ndangoita kunokora apa yaive
yemapepa apa handina kumbenge ndaiverenga
kuti yaive marii. Pavachazviona kuti mari yavo
yakashota tinozongotangira ipapo tichienda
mberi.
Asi vanogona futi kusazviona nekuti mari yacho
yakawandisa.

Ndofanira kukurumidza kudzokera kumba


ndonogadzirisa kuti ingoita sezvayanga yakaita
nekuti pandatora handina kuzombotarisa kuti
zvakamira sei maybe ndasiya yakabvanganyuka.

Pandakasvitsa mbuya vaya mari vakafara kani


vagoti kudetemba kkkk haaa mari yaidiwawo
apa. Handina kuzoda kumirira kuti vapedze
detembo ravo nekuti ndaitove kumashure
kwenguva. Ndofanira futi kuziva kuti shoko
parichatenderera rekupenga kwake ndofanira
kumhanya kunotora mwana wemwana wangu
angazokuvadzwa kana kukandwa mumugodhi
chaimo.Ko kana munhu rave benzi
anombozoziva zvekuita here?

Ndichingoti budei muchivanze chambuya


vaDhela ndakanzwa hiihi hihii mavoice
echirume achitaura mberi kwangu.

Sezvo yaiva nguva yechirimo kwakapfumvutira


ndakabva ndangotsauka ndokuhwanda seri
kwemakwenzi kuti ndisaonekwa ndaitoda
kuona kuti vaive vana ani?

Ko pakadai hazvidi kuti uwonekwe uchibva


pan'anga izvo zvinhu zvakaita manyama amire
nerongo kudai unogona kuzofungirwa kuti
ndiwe.

Ndakaona ari maticha epachikoro chababa


Brian ndakaziva kuti chachaya. Ndakazama
kuteerera nyaya dzavaitaura asi ndakatadza
nekuti vaitaurira pasi pasi kunge vainyumwa
kuti pane varikuda kunzwa nyaya dzavo.
Zvisinei ndakasimuka hangu paya pandaive
ndakachijomara kuhwanda, ndokuchitanga
kufambisa ndakananga kumba kwangu.

Ndave kuda kutosvika pamba ndiye dhumha


dhuma nevakadzi 2 vemuraini medu.

Takamhoresana hedu ndokubva vati ko


"murikubvepiko Mai Brian bhero rekukokorodza
vabereki kuchikoro hamuna kurinzwa here ?
Ndiko tiri kutomhanyira izvozvi rarira
richarirazve kureva kuti hakuna kumira mushe.

Me : Aaaah ko rarira nguvai handina


kumborinzwa ini . Chindimiriraiwo
ndingonochinja hembe chete zvekugeza
ndozodzoka ndozviona.

Ndakabva ndatomhanya kumba kunochinja apa


hana yairova sei munongoziva kuti kana uriwe
muridzi wenyaya hana inotorova chete. Asi
hapana chayairovera hayo nekuti ndanga
ndapedza kugadzirisa madhiri angu ese mbuya
vaDhela vaizoita kuti zvinhu zvisafumuke and
ndatongwara kunovapa imwe mari naiko kufara
kwavaita kuya haaa zvinhu zvose sorted hapana
chekutya apa.

Saka kureva kuti maticha aya andahwanda


ndichibva pambuya vaDhela vanga
vachitodzifambira nyaya dzacho kkkkk nhasi
Sifiso azviwana zvaaitsvaka nguva yese.
Achaziva hake kuti haisi nyore kugarisa umwe
munhu seshirikadzi murume arimo mumba.
Ndakamhanya ndokunochinja hembe nekugeza
nzvimbo dzaizokonzeresa, ndisati ndabuda
ndakamborova kamunamato kekutenda Mwari
nezvavaive vandigonera ndokuzobuda
ndimhanya kuenda kwaive ndakamirirwa
nevamwe.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq

♣💔💔💔💔💔♣
Her own decision

💓
By Linda aka Mai Peace

0616317489

Chapter 30
Zvaiti kurwadza zvikati kupisa tsitsi nguva
yakanopinda sifiso muclassroom anga
asisatombonzwi zvakanaka zvachose asi iye
ahana kana chaakambofungira. Akatofunga
kuti zvimwe kwaingovawo kurwara sezvo
munhu wese achimboita nguva yekumborwara.
Ahana kuziva kuti bag rake rakanga ratakudzwa
kurema navamwene vake vainyepedzera
kumuda.

Akasviko gara hake pachair yake semazuva ese,


ndokuisa bag rake pamakumbo aida kubudisa
nabook ake sezvo aida kusanoverenga kumirira
ticha kupinda kwavo.
Achingonoti ruoko mubag ndeeee
mwanasikana akawuruka kuita fanika pane
chinhu chamuruma mubag muya. Kuuruka
kwaakaita akabva anobata aive paside naye.

Uyawo paakangogumhiwa nemaoko aya aive


abata mushonga waive wadirwa mubag akabva
atotanga kudhunyawo. Yanga yave batai batai
mukati meclass imomo.

Kwaingoti angonoguma sifiso kuzama


kumubatsira aibvawo atotanga kupenga.

Zvino mudzidzisi ainge auya kuzopa zvidzidzo


muclass umu akawana vana haikona inongove
dhumhanai musoro panga pasisina chakanaka.
Zvakamurovesawo nehana kuti chii chainge
chaitika uku sifiso anga atova busy kukurura
hembe achirasa rasa. Vamwewo vaingoita
zvakasiyana siyana. Vana vakapona pachiitiko
ichi ndevakatotiza vachibuda panze asi vazhinji
vaive vatojoina kupenga nekuti mushonga uya
waingoti munhu angogunzviwa nayo chete
kutongomhanya bani.

Ticha vaya pavakaona zvadaro semunhu


aivimba naSifiso uye iye sifiso wacho airova
chikoro zvekuti maticha mazhinji pachikoro apa
vaimufarira,akabva atotora matanho ekubatsira.

Saka murairidzi akamhanya kuda kunotanga


kubatsira Sifiso kuzama kumudzosera hembe
dzake. Asi ticha havana kuziva kuti yavaive
vatanga havaipedzi vakabva vatojoina chikwata
chiya chainge chopenga.
Yanga yangove yowe yowe muclass muya
manga musisina chakanaka.
Vanhu vakazotanga manje kupenga
vachimhanya mhanya chikoro chese zvinova
zvakazoita kuti munhu wese aive pachikoro ichi
aone kuti zvinhu zvanga zvave manyama amire
nerongo.

Mukuru wechikoro paakaona kuti zvinhu


hazvichina kumira mushe semunhu mukuru
vakabva vangofunga kurova bhero riya
rekudaidza vabereki. Vabereki vepedyo
vakabvawo vatomhanya kusvika nekuti vaiziva
kuti ukaona koridzwa bhero iri panenge pane
zvisina kumira mushe pachikoro.

Vanhu vakatanga kuungana zvishoma


nezvishoma asi hazvina kupedza dambudziko
nekuti vana vazhinji vanga vahakirawo
pachiitiko ichi.

Vazhinji vacho vange vave kungozvibonderedza


nekuzviroverera pasi. Asi sekuonekwa
kwazvanga zvaitwa kuti ukangonobata kana
kubatwa neteam raive rave kupenga iri
waibvawo watotangawo kupenga.

Saka vanhu ranga rave basa kutiza


nekudzingirirana. Vaitiza ndevaya vaitya kuti
vakangobatwa chete kana kugumiwa vaibva
vapengawo. Avawo vaidzingirira ndevaya vaive
vachipenga munongoziva kana munhu
dzadambuka kuti anoita sei?

Hamuna chamakaona vehama zvainge zvoitika


pachikoro apa zvanga zvoti kusetsa uye
kunzwisa tsitsi kana kutochemedza chaiko.

Mamwe maticha ndiwo akazomhanya kunotora


n'anga yaizivikanwa nemukurumbira chazezesa,
mutunhu une mago mbuya vaDhela.

Havana kupedza nguva vasina kusvika navo.

Mbuya vaDhela vachingoti digi pachikoro paya


vakabva vangoziva nyaya yaivepo. Vakatoona
kuti munhu wavo aive ashandisa mushonga
zvisiri izvo. Vakambobatikana nazvo asi
vakazokurumidza kurangarira dzatsi remari
ravaive vapihwa. Vakaona kuti zvaisaita
kufumura munhu wavo saka vakatoona kuti
better nyaya iyi vaipindurukudze kuti kunzi
zvidhoma zviri kurova vanhu pachikoro apa.

*Mai Tinevimbo*

Zvandakabuda mumba ndaifunga kuti


ndichawana Sifiso akandimirira but ndakawana
atorova pasi. Ndakabva ndangoona kuti panga
pasisina kumira mushe Sifiso anga
atovhiringika kare nekubata bag kwaaive aita
saka ndakabva ndatopfugama kunamata nguva
iyoyo. Ndakanamata kwenguva refu
ndichichema nekukumbira kuna Mwari kuti
vapindire nekuti ndaive ndaratidzwa chikoro
chese chave kupenga zvichibva nenharo
dzaSifiso dzisina basa. Kungoti handingamupi
hangu mhosva nekuti satan anenge ari pabasa
akawana pakasungwa zinyeke nyeke
anotosenerera kupinda neipapo.

Ndakanamata kwenguva refu asi Mwari


vakazondinzwa vakati mhanya unobatsira
vanhu vangu nekuti ukanonoka ndaona vamwe
vatsakatikira mumugodhi.

Hana yangu yakarova ipapo kuti ndikanonoka


zveshuwa vanhu vanofa.

Ndakangoti kuna Tinevimbo usabuda muno


nemwana ndokutovakiira mukati ndaisada kuti
abude nemwana aigona kuzonzwa noise yaiive
yave kusecondary akatevera nemwana zvikave
zvimwe. Pandakangopedza kukiya ndakabvawo
ndomhanyira kuchikoro kuya. Ndakawana
pachikoro pazara vanhu zvekuti handikwanisi
kutsanangura asi yaingove barara mhanya
runodzingirira nerunotiza haaa zvaisanzwisisika.

Apa ndaive ndatakura chigubhu chine mvura


yemunamato ndiyo ndaizonoshandisa kubatsira
vanhu.

Ndichisvika ndakaona imwe mbuya yaive


yakashonga kushonga kwen'anga, ndakabva
ndatoziva kuti vaive vadaidzwa kuzobatsira
vana ava.

Ndisina kana nekumbodii kwese ikati


yasheedzera mbuya iya kuita fanika yanga
yakamirira kusvika kwangu. "Ikati mai venyu
vasvika mese endai munobata mai venyu tione
chigan'i chaita izvi. Handina kuziva kuti chigan'i
chacho chairehwa ndini.

Moziva ndakarohwa nehana zvese nekupusa


zvekuti ndakatombobuda mustaera.

Vanhu vose vaya vaipenga vagomhanya


vachiuya pandiri zvese mematicha matatu
aivewo openga kumhanya kuzondiumbirira.
Kutondidonhedzera pasi nekagumbu kangu
kemvura yemunamato.

Vanhu vose vagotanga kuti yeeeee yeeeeee


yeeeee munongoziva paitika chiitiko chakadaro
kana konzi munhu wazviita awanikwa.
Chokwadi n'anga iyi yaindishurira zvamunoona,
ndakaita nguva ndakadonha pasi paya
munomboziva here kuti ukavhingidzika kana
mweya waMwari chinguva ichocho
unombokutizawo, ndizvo zvakaitika kwandiri
nguva yandaive ndakaumbirirwa nevanhu vaive
vopenga.

Kana kumuka ungapamuke here munongoziva


kuita kwevanhu vanenge vachipenga pakaitika
basa kani zvekuti ndaive neniwo ndotopera
mweya wekufema nekuumbirirwa kwandaive
ndakaita apa ndakadonha. Firimu remahara
chairo rakaitika musi uyu handina
kumbosangana nezvakadero. Nechinguvana
ndaive neniwo ndatopererwa kuti kandi zviri
kumbozama kudii uye kutsanangurei, haaaa
chandakaona musi uyuka 🙌
Ndakatozonzwira kurere inzwi rasekuru vaTawe
vachisheedzera kuti," uchingomuka ipapo chete
pack yours and go heya ndiri kuchengeta nyoka
ini ndichiti ndiri kuchengeta munhu kwaye.
Tinototenda mbuya zinata ava tingadai tisiri
kumboziva chigan'i pano pachikoro". Chinzwa
zvaive zvoita mhomho yevanhu kuhon'era
vachitaura zvavanoda. Munomboziva here kuti
kana satan abvuta rekeni anoita sei chokwadzi
anoita kunyumbira setsvina iri mumvura.

Regai muparidzi akabva kuparidza nesunday


aiti ngatingwarirei maitiro nemafambiro edu
nemagariro edu nekuti satan ari pabasa
chokwadi ndakabvuma kuti yaaaa satan atotora
chimuti sekutamba.

Moziva ndaive ndotoona kuoma zvakare


kweupenyu apa ndaive ndiri panguva yakaoma
nekutsikirirwa nanamupengo kwandaive
ndakaita.

Njere dzanga dzodawo kurasika ndikabva


ndafunga kuti ko iye amboti ndiuye kuno ndiani?
Ndakabva ndangodudza kutaura kuti nhai
Mwari ndizvo here mandiunzira pano kuti
ndizonyadziswa nekupomerwa yandisina
kupara saka ndave kufira isi yangu here ?

Ndichipedza kutaura mashoko iwayo


ndakanzwa simba rakawanda richiuya mandiri
nguva iyoyo.

Ndakangomuka paya ndakabata chigumbu


changu chemvura yandaida kuzoshandisa
kukusha vanhu vaive vasangana nedambudziko
iri .

Handina kutsvaka kudonha kwakaita vanhu


vaive vakandiumbirira nekuti nguva yaMwari
yanga yakwana.

Pandakamuka paya handina kuda kutarisa kana


kuteerera zvaitaurwa nevanhu nekuti nguva
yaMwari yanga yakwana zvino.

Ndakasimudza chigubhu chiya chemvura


mudenga katatu ndichieresa mvura iya kuti
ndigokusha vanhu vaive vachiri busy kupenga.

Ndakatoshaya kuti n'anga iyi yanga yafambira


kuzopedza dambudziko here kana kuti kuzoda
kundizodza madhaka andisina kutsika.
Chokwadi munhu angagwisana nekuti batai mai
venyu achitadza kubatsira vanhu kuti varege
kupenga.

Ndakazotanga zvino kuchikusha umwe


neumwe wevanhu vaipenga. Kwaingoti
wandakusha mvura iya aibva atodzikama
kupenga kotopera nguva iyoyo.

Asi rekuti ndini ndaive ndazviita harina kupera


muvanhu nekuti vaive votosheedzera kuti
mauyaka kuzoroonora zvamanga maita zimuroi
remunhu kusanyara. Veduwe ndakatukwa musi
uyu handifi ndazvikanganwa chero ndikadya
sadza nenyama yakakora sei ? Nyaya iyoyi
haibudi muhana yangu. Kutaura nekutuka
nekushora kwaiindita vanhu kwakaita kuti
simba raMwari riwedzere. Munongozivawo kuti
Mwari pane zvakashorwa ndipo pavanoisa
zodzo yavo.

Ndakaramba ndichitenderera chete kutsvaka


vese vaive vabatanidzirwa pakupenga uku.
Ndiro dambudziko guru randaida kutanga
ndapedza. Ndakazorohwa nehana pandaive
ndapedza kueresa vese vaipenga ndoona
Sofiso asipo. Yoooo zvanga zvaoma
handaikwanisa kuenda pachikamu chepiri
ndisina kuona Sifiso.

Ndakazosheedzera kuvanhu kuti ndibatsireiwo


kutsvaka Sifiso.
Handina kutya kana kutsvaka zvaitaura nevanhu
ndakaziva kuti yaiva nguva yavo asi
vachazochurika njere kana nguva yaMwari
yasvika.

Vanhu vose vakatanga kuita barara mhanya


vachitsvaka kuti Sifiso anga atorwa nei?

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq

♣💔💔💔💔♣
Her own decision

Story by Linda aka mai Peace

0616317489

Chapter 31
*Mai Brian*

Takazoenda kuchikoro kuya nemamwe


madzimai , taiita kufambisa chaiko nekuti
kuchikoro kwacho kwainzwika kuti kwaitove
nebasa chairo nekuda kwenoise yaiveko.

Tichisvika pachikoro paya ndakarohwa nehana


nezvandakaona zvaiita sekuti chikoro chese
changa chopenga aaaa ndakashamiswawo
nazvo ini ko chiii chaizvo changa chaitika.
Ndakanga zvino ndangoudyura meso
kupererwa chaiko kana ari iye sifiso wacho
aaaa kuita benzi remustreet chairo
waizombomuziva here kuti ndiye uya
wekudzikama nhema.

Vamwe vandaive navo vaivewo vangoti kanha


nazvo vakadaro. Pasina nguva takazoona
mbuya vaDhela vosvikwa navo nematicha aya
andaive ndambohwanda paya ndichibva
kwambuya vaDhela.

Ndakafara veduwe pandakaona vachisvika


ndikati zvangu zvaita handimbobvondorwi
nemari yandavapa iya haaa vanotonzwengesa
nyaya chete ko n,'anga dzakangwaraka
todziziva.
Ndakaona votanga kupfeka mbatya dzavo
dzebasa dzavanoshandisa kana vave panguva
yavo yekushopera. Apa vana vaingova busy
kupenga ndakatoti ko vadiiko vakurumidza
vabatsira vamwe vanhu vongopengawo vasina
mhaka. Ko handiti mushonga waive wavo here
vafanira kuziva kuti voroonora sei vanhu kuti
vamire kupenga.
Zvino maitiro avo ndakatoona sepaive pasina
chaizikanwa ini n'anga dzedu idzi dzichatiisa
zvimwe , ndiudzei kuti panopenga vanhu
vakawanda kudai gore randofa igehena straight.
Haaa apa hapana kana excuse. Ndiko kunonzi
kuzvivesera moto muziso chaiko uku hameno
regai tione kuti chii chichatorera chimwe
nzvimbo.

Ndaivewo ndotodemba kuti ko ndaive


ndazviitirei nezvaiitika ipapo zvaitonzwisa tsitsi.

Pakazozvika mukadzi aigara naSifiso ndipo


mbuya vaya pavakatanga kusheedzera kuti mai
venyu vauya endai pana mai venyu.

Vanhu vose vaya vaipenga vagoti zare


pamukadzi uya kuita kumumomotera senyuchi.
Imiwoye zvanga zvakaoma kani ndakaimagina
ndiri ini ndakaumbirirwa kudaro chokwadi
zvainyadzisa kana kututiswa ndaizotutiswa
musi iwoyo nababa Brian.

Zvisinei ndakabva ndangotenda mbuya n'anga


neunyanzwi hwavo pabasa ravo vaiziva havo
zvavaiita changa changosara kumisa vanhu
vasina mhaka kupenga.
Ndakatozoona uri iwo mukana wekuronga
maths dzangu ipapo nekuti yaingove mvenge
mvenge vanhu vaive busy kutotuka mai vaya
vaive vakaumbirirwa nevanhu.
Ummmm panga paipa kana Mai yevanhu
yaigona kufira mahara nekuda kwekutsikirirwa
nevanhu vose vaya vaipenga.

Ndakavhura mubag mangu ndokuona mune


bepa replastic raivemo ndokuti better.
Ndakatanga kuverera nemukati mevanhu muya
ndaida kutsvaka kwaive naSifiso nekuti ndaive
ndangomuona ndichisvika asi pawira vamwe
pana mai vavo iye handina kumuonapo.

Ndaiita kufambisa chaiko uku ndichimhanyisa


meso angu kwese kwese ko ndiwoka mukanwa
wandanga ndatowana kupunyutsa munhu
wangu kuti asaroonorwe paizoroonorwa
vamwe. Ndaizviziva kuti pavachazomutsvaka
inenge yatova too late.

Ndakazama kumutarisa asi ndaisamuona asi


ndakaramba ndichitenderera kwese kwese.
Ndakazomuwana akarara kuseri kwemaclass
apa mburukwa rapfekwa mumusoro blouse
asina aingori neskirt chete.

Handina kuda kutsvaka zvizhinji nekuti ndaive


kumashure kwengu. Ndakapfeka platic rangu
faster muruoko, ndaisada kuzopengawo nekuti
mushonga wanga usina hawo kumira mushe
iwoyu.

Chero mozogara kune vanhu vanoziva miti regai


zvichizonzi n'anga dzose varoi, nhasi
ndazozvionera.

Ndapedza kupfeka bepa riya ndipo


ndakanomuti nhaaa ruoko Sifiso uya naye
kusango lucky randakaita taive kuseri
kwemaclass saka hakuna aitiona. Kkkkk
ndakasekerera zvangu Sifiso uya kana zvake
kumboita nharo kutofambisawo chaizvo kunge
vanhu vaiita zvinhu zvavo vachiwirirana.
Haaaa ndakazoseka dzanga dzajamba shuwa
kutoita kakufambisa achicheuka kutya
kuonekwa kuita fanika ndaive ndamuudza kuti
hatisi kuda kuonekwa.

Takasvika muchitondo muya pasina ationa


ndokubva ndati deal done. Mubag mangu maive
nemagwavha maviri ndokutora ndokumupa
ndikati idya ufambe ndinotevera.
Munongoriziva benzi naiwo magwavha andaive
ndamupa akafara kuita seachabata denga
akagotanga kumadya zviya zvekupenga chaizvo
achitofambisa kuenda nesango.

Ini ndakabva ndachirurama kuenda kumba


kwavo kunotora mwana wemwana wangu
moyo wangu waive wotorwadzirwa muzukuru
wangu kuti izvozvi anani.

Ndakafambisa kuenda kuya ndakasviko wana


door rakavharwa , ndakaedza kuvhura kuti
ndione kuti aisavemo here mumba macho asi
door ranga rakakiyiwa.

Ndakadakumbonodongorera nepawindow
sezvo raive rakashama asi
ndakangozozvinzwira usimbe ndikangoti
zvazvadai mwana agara anongounzwa kumba
naivo sekuru vake.
Ndakazopinda munzira hangu kudzokera
kuchikoro kuya ndaisaziva kuti nyaya yanga
yave papi chete.

*Narrator*

Zvinoita zvinhu zvinenge zvina Mwari mukati


zvinoshamisa.

Vanhu vose vaipenga vainge vave right kunze


kwaiye Sifiso chete anga asiri kuonekwa
zvinova zvinhu zvakashamisa vanhu asi
mhosva yaipihwa kuna mai vaye vainge vanzi
ndivo muridzi wezvinhu zvainge zvapumhutsa
vanhu. Asi tisakanganwa kuti china manenji
hachifambisi chinomirira kuti mavara acho
awonekwe. Mwari vanenge vane zvavanoda
kududzira uye kuonesa. Usafunga kuti ukaita
zvakaipa nguva yakareba hauzofi wazikanwa.
Baba kudenga vanokupa tambo refu yekuti
unonyekera ugofara ugopembera uchiti
wabudirira paunhubu hwako asi ziva kuti
unenge uchizvisunga zvishoma nezvishoma
netambo iyoyo. Ichazosvika nguva yekuti
uchazvimoneredza zvekuti haizogoni kana
kuzvikatanura tambo iyoyo. Nguva yaunoti regai
nditsvake rubatsiro runenge rusisawanikwi
kana Mwari chaivo nguva yacho vanenge
vatokufuratira. Saka ngatingwarirei mafambiro
edu vana mai vana baba munhu wese zvake.
Chionai kuita kwaSifizo nhasi
kwazvazomusvitsa hongu Sifiso ahana munhu
waakadzira asi kusateerera ikoko kunoita kuti
Mwari vambokupanicha. Hongu tsitsi dzavo
dzizere pamusoro pake asi vanoda chete kuti
avazive zvemazviro kwazho uye asatendera
kungwegiwa nasatan.

Tinevimbo pakakasiya kakiyirwa mumba namai


vako kakasara kakashushikana kamwana kuti
ko zvamboita sei chaizvo uye kaive kakateerera
mai vako vachinamata apa kaitota zvako
mashoko ese ataurwa namai vacho vachitaura
naMwari wavo. Zvinova zvazokapa shungu
dzekuti ade kunoona kuti chii chaitora nzwimbo
kunze uko. Kakatanga kusvusvudzira Tawe
kusvika akotsira. Pakakangoona chete kuti
mwana akotsira kakabva kangofunga kupoya
nepawindow kkkk zvevana zvakaoma veduwe
kana kuri kuda nyaya kwacho kwanga
kwakatooma. Zero racho kani raifunga zvese
izvozvo 7 years here veduwe.
Kakazofunga kubuda nepawindow sezvo door
ranga rakakiiwa.

Pakakajamba kudaro kakanganwa kuchisiya


kavhara window heko tandee kakananga
kuchikoro kuya kwakainzwa noise.

Kakabva kangofunga kuti apa ndingazoonekwa


nevanhu heko kona nemusango kuti kasawana
wakanosangana naye.

Pakakanoti musango muya pindikiti ndiye tuzu


kakadaro nekuti kaive kaona mai VaTawe
nagogo vaTawe. Pakakaona kuti vainge vasina
kukuona kakabva kakagaya fast kuti better
kudzokera hko kumba nekuti kaitya kuzorohwa
kuti ko mwana wanga wamusiya nani.
Kakarova speed kachiverevedza nemakwenzi
kuti kasamboonekwa. Asi kakabudirira nekuti
havanawo kubvira vambokaona .

Akasvika kumba ndokuenda pawindow paya


paaive ambobuda napo. Kutozama kukwira kuti
adzokere mumba mune mwana asi
akakundikana. Akazama kutenderera kutsvaka
chekuti akwire asi akachishaya. Akaona kuti
better kugara hake kuseri kwemba aizomirira
mai vake kudzoka obva avaudza kuti abuda
achinoita weti panze akazotadza kudzokera
mumba makare.

Akagara kuseri kuya akahwanda aisada


kuonekwa nevanhu saka aipota achidongorera
kuti hapana ari kuuya here?

Pakaita chinguva asina waaona ndokuzoti ati


gare gare ndokunodongorera zvakare ndokuona
mbuya vaTawe vachiuya akabva amhanya
kudzokera kuhwanda zvakare nekuti aisada kuti
vamuone. Zvisineiwo ivo havanawo kumboda
kuita shungu dzekutenderera nemba
pavakangoona musiwo wakakiyiwa ndipo
vakadzokera kuchikoro kwavainge vasiya
vamwe. Moyo wavo waifara zvisina mukare
akamboona vaiona rudo rwadzoka mumba
mavo nekuti vaida kuzochengeta muzukuru
wavo zvakanaka. Zvinova zvavaiziva kuti
zvaizofadza murume wavo kusvika avapawo
bonde chinova chinhu chimwe chete chaiita kuti
varambe vakati tsoma tsoma nemuroora
aivewo asina mhosva. Hapana chaaitozivawo
panyaya yavo regai vakuru vakati kufungira
munhu ipfumo kuna Mwari Sifiso aive ofira
mafufu segonzo.

Zvineiwo mwana akazoramba angogara kuseri


kuya hope ndokubva dzabata ndokutorara hake.

*Sekuru vaTawe*

Kungozonzwa kwandakaita kuti mai Tawe


anga asisipo pachikwata chevaipenga hana
yangu yakarova handiziviwo kuti ndanga
ndavarairwa nei ?
Nekuti nguva dzese ziso rangu raive
rakamuchengetedza nyangwe zvazvo paiitika
zvisiri izvo asi nguva yacho yaisava yekutarisa
zvakawanda yaitova nguva yairwadza kuona
zvaiitika uye kurangarira kuti chii chaizvo chaida
kutora nzwimbo. Asi kuita kwamai ava kwanga
kwandipedza simba. Chokwadi regai vakuru
vakati kurera imbwa nemukaka mangwana
inofuma yokuruma. Ndikoka kurumwa kwacho
uku. Asi ndakatsidza kuti zvichingopfuura chete
izvi vanotuta zvavo twavo voenda. Ndakatanga
zvino kuchitenderera ndichitarisa kwese
kwandaifungidzira kuti angangova, asi handina
kuwana munhu.
Ndakaedza kutarisa kwese nekumugodhi
wechikoro asi handina kumuwana
kutodongorera mumugodhi ndichiti zvimwe aive
azvikandira imomo asi aisavemo. Pfungwa
yangu yakatombofunga kunotarisa kumba
kwavo maybe aive apenga achienda ikoko.

Ndichibuda ndakaonawo mai Brian vachisvika


pavanhu hamenowo kwaibviwa handina
kumboita basa nazvo. Ndakatoenderera mberi
nerwendo rwangu ko ndaizvitsvakirei hangu
zvekwavaibva zvaitondikanganisa kutsvaka
muroora wangu. Nguva iyoyo moyo wangu
waiita kupisa chaiko zvekuti ndaiita
sendichachema ndaingodemba kuti dai arega
kuwana chinomukuvadza mwana wevaridzi.
Haaa apa satan anga andigona kani but hakuna
chisingabudi pachena zvichabuda hazvo kana
ari munhu tinosvitsana kumapena rwendo runo.
Zvingori pachena kuti munhu iyeye anga
akatageta mai Tawe nekuti vanhu vemuclass
mavo vasina kubatwa nekupenga uku
vangotaura kuti zvinhu izvi zvatangira pana mai
Tawe paangovhura bag rake achida kutora
mabook. Saka zvaingova pachena kuti pane
munhu akonzeresa asi zvanga zvakanangana
naSifiso vamwe vanhu vazongohakira havo.

Ndakaenderera mberi nerwenda rwangu


ndakasvika kumba kuya ndokuwana door
rakakiyiwa. Ndakatanga kunetseka kuti ko
mwana wemwana wangu aripi? Zvichibvawo
nerumbuya irworu rusina rudo ipapa munhu
angadei ari iye ane mwana. Kutotsvaka
musevenzi ndichifunga kuti ndawanawo munhu
kwaye anochengeta muzukuru wangu izvo
ndatsvaka nyoka chaiyo. Kureva kuri ndiyeka
mukadzi iyeyu apengesa vanhu pachikoro apa.
Achirwei uye achidei iyi yaive yangova
mibvunzo yandaizvibvunza ndakamira hangu
pamukova paya kuzama kubatanidza kuti zvino
ndoita sei?

Ndakazoona window rakashama ndokufunga


kuti ndidongorere hangu nditarise kuti ahamo
here Tawe wangu. Chokwadi pamwana uyu
ndipo panga pakaperera moyo wangu zvose
zvandaiitira mai vake ndaizama kugadzirira iye
upenyu hwake.

Ndakasvika pawindow paya ndokudongorera


mumba muya, ndakasanganidzana naTawe
achitomuka. Ndakatoshaya kuti ko Tinevimbo
ayendepi asi vaifanira kuti vanga vasiiwa vese.
Asi sezvo window rakashama kudai pamwe
ndipo abuda napo zvino aendepi nhaimi.
Zvevana veduwe misikanzwa izvozvi anogona
atoenda kuchikoro kune mhere mhere uko
achisiya mwana ega. Ava vanhu ava chokwadi
ndakavatsvakira here kuuya kuzondipa
dambudziko here regai kwakazonzi moyo chena
unourayisa, zvono kusi kufa ndekupi?

Ndakazopota nekuseri kwemba ndichimutarisa,


ndakatowana akafa zvake nehope ndipo
ndakamumutsa. Kuti aende kunotora mwana.

Akati ainge asina makey , ndakazoenda


pawindow paya ndokumusimudza kumupinza
mumba makare kuti agare nemwana asabude
uye ape mwana chikafu. Ndakambofunga
pfungwa yekuenda nemuzukuru wangu asi
zvaisaita memamiriro anga akaita zvinhu.

Ndave kutoda kubuda chivanze ndipo


ndakadzokera kunomubvunza kuti sezvo anga
ari panze ahanawo here kumboona mai Tawe.

Ndakadzokera paya ndokumubvunza


pakutanga akambonyarara zviya zvinoita kana
mwana achitya kutaura. Ndokumuti taura
ndokutengera masweets ndipo kakati asi
ndotya kuzorohwa namhamha vati tisabude
panze nemwana tigare mumba ndakamuudza
kuti handivaudzi kuti wambobuda taura hako
wavaona here mai Tawe.

Tinevimbo : Ehe ndavaona kuchisango uko .


Apa aitaura achitonongedzera kuchisango
kwacho .

Hana yangu yakarova ndikati wavaona nguvai


nhaiwe ?

Tine : Patova nechinguva ndisati


ndambokotsira.

Me : Vanga vachienda nekupi nhai Tinevimbo


?
Tine :: Vanga vana mbuya vaTawe endai
muvabvunze nekuti vazosvika pano vave vega
asi handina kutaura navo ndavahwanda.

Ndakatoona kuti mwana uyu kutaura kwake


aisanyepa. Ndakamuudza kuti asabuda mumba
nemwana kusvika ndadzoka, ndakabva
ndatomuudza kuti avhare window riya.
Ndakabva pawindow paya pandaive ndakamira
ndokuibura speed ndakananga kuya kwaive
nevanhu.

Mazvionaka varume zvandakaitirwa naBrian


kuuya namai vake pano kuzondiparira ngozi
chaiyo mabasa amai Brian ese aya kuti zvinhu
zvese zvidai. Manje yavatanga iyi havafi
vaihwimha this time tinosvitsana kwamvura
yacheka makumbo mirai zvenyu muone.

*Mbuya vaDhela*

Zviya zvekuti ndiri n'anga ine mukurumbira


unenge usati wasangana nazvo unenge
uchitonyepera vanhu paya. Unotozozviona
kutoti uri chin'anga mutunduri chaicho kana
wasvika pakadai. Ndakatanga ndichine
zvimanyawi asi ndakazokandiswa mapfumo
pasi. Munokuziva here kunonzi kunyadziswa
ndiko ndakazoitwa ndakademba chandaive
ndorambawo ndoita zvinharo kumboratidza
zvimasimba. Musatambe nemunhu anonzi
mutumwa waMwari ahana kumira mushe .
Ukuwo nguva yakasvika mai Brian ndaive
ndasiti rabada pasi ndisizazivi kana kokuisa
musoro ndaive ndongonzwa kutsva muviri wese
kana uri musoro handitauri waiita fanika
waitobvira moto chaiwo.

Hamenowo kuti aibvepi mai Brian wacho haaa


ndanga ndamugumbukira zvekuti kana mheni
chaiyo ndaida kumurovesa nayo rakacheka
nyika munhu wepi anoti kana apihwa mushonga
ouchengeta ozoushandisa paanodira. Zvino
mushonga wacho ukagarisa unenge
watopumuka aifanira kutanga adzoka nawo
kwandiri ndozomupa umwe uya ndaizoziva
zvekuita nawo ini muridzi wawo.

Ndaive ndongoshinyira ndiripo pasi paya


ndakambofunga kushanduka kuita gondo
ndibhururuke hangu zvandinosiita asi
zvakaramba ndaive ndatokurirwa masimba kare
ndanga ndisisina kana simba rekuzvikwenya
chairo. Chokwadi ndikapapunyuka pano ndiri
mupenyu ndinonorasa zvese kunokanda
murwizi chaimo zvoerera hazvo nemvura
zvoenda.

Mai Brian vachisvika mukadzi uya akasiya


asheedzera fire katatu achindinongedza
neruoko rwake katatu. Vakomana chokwadi
ndipo unoona kuti chandakadya chapfuka zvino,
idi unoreurura matadzo ose kumapedza kuti
tsvai. Vamwe munoti gehena riri kudenga
kunyeperana kuya unenge usati wasangana
nazvo, rangu gehena ndiro randaive nditori
mariri panguva ino . Chokwadi gehena moto
unopisa usina kuveswa uye wausingaoni chako
kungonzwa kutsva zvakasimba chete. Apa
ndaive ndosheedzera manje zvandisina
kumbotumwa . Ndaida kuti vanhu vose vaziveka
kuti uyo mukadzi aive munhu waMwari chaiye
hapana kana chimwechete zvacho chaaiziva
maererano nekupenga kwevana wechikoro
mhosva yaive yamai Brian.
Munhu waMwari uya achipedza kusheedzera
kuti fire kwandiri akabva achitarisana nayo
shasha yaive yakonzeresa nyakanyaka
pachikoro.

Akati chekutanga ndoda kuziva kuti Sifiso


mamuisa kupi?

Kkkkk regai ndiseke zvangu chero ndiri panguva


yakaoma. Dai mai Brian vaiziva kuti munhu
wavaive voda kumisikidzana naye ahana
kuchipa vangadai vakangotaura chete kwavaive
vaisa mwana wevanhu.
Vakabva vatotanga kupopota popota kani
kutoonererwa kani vakabva vanzi nayo mvura
yemuchigumbu chiya takaaa kumeso
kekutanga ndikaona dzedzere dzedzere kepiri
nayo futi ndiye
zeeeeee ketatu ndiye puuuu pasi.
Nechemumoyo ndikati yaaa chimbonzwa
zvandiri kunzwawo. Ndakazotanga
kusheedzera zvine simba kuti munhu waMwari
ndaibva kani chindiregererawo. Huya hako
undichenure handichazvidi kani maiweee vanhu
vaMwari ndibatsireiwo kani, handichadi
zveun'anga zvinourayisa ndofawo here vanhu
makatarisa.

Ipapo vanhu ndipo vanenge vachitoseka


vachisheedzera kuti chin'anga mutunduru itsva
uku vachiita sevachakurova. Ko munhu wese
aive ongosheedzera kuti "tangai mataura kuti
Sifiso mamuisepi ?

Mudzosei ndiko kuti tizive kuti mapfidza" kana


ndimiwo ndiudzeiwo ndaive ndotoita fanika
ndaiziva kwaari , zvino munhu mutema
ungamuudza here akabvuma kuti ahuzive
kwaaenda.

Mai Brian ndivo vanga vooneswa moto manje ni


ni ndaingobidirika ndiri kwadaro ndaive
ndongozvuva nedumbu senyoka. Chiun'anga
chese changa chapera kuti tsvai zvose
zvimasaramusi zvandamboda kuedza
ungazomboziva here kuti ndini uya anga
achimbokuzirirwa nevanhu vachifunga kuti mai
ava ndivo muroi izvo kwaani ndanga ndadenha
mutunhu unemago. Ndaive zvangu
ndambovapima pavasvika vakabata kagumbu
kavo ndikati regai ndiite masaramusi nditi ndivo
muroi aroya vana. Izvo kwani ndazvidenhere
yandazotadza kupedza.

Hamenowo kuti baba Brian vakasvikawo


vachibvepi ndokuwana mai Brian vave pasi
vachibidirika. Vakangosviko vati nhaaa gumbo.
Veduwe murume anga akagumbuka iyeye.

Handisati ndamboona zvakadaro chokwadi


panyika pane vamwe varume vasingaitirwi
zvisina basa. Ndakatoshaya kuti muitiro uyu asi
Mai Brian ahana kuvapa here mupfuhwira
wandaive ndamupa zvaingove pachena kuti
vaive vasina kuvapa nekuti dai vakavapa
havaimboita zvavari kuita izvi ringadei riri
duruturu chairo.

Vanhu vakatombozama kuti musadaro asi ivo


havana kudzora tsvimbo vaingokakaradza
chete vakabata gumbo kana kumbotarisa kuti
mukadzi afuguka pavanhu

Muprofita uya ndiye akatozoona kuti hazvidi


kudaro pakazara vanhu mukadzi mukuru
kuonererwa zvipfeko zvemukati nemunhu wese.

Akangosviko mwaya baba vaya mvura katatu


ndobva vadzikama ndokuregedza Mai vaya.

Muprofita uya akazosheedzera kuti..........


Follow this link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq

Her own decision

Story by Linda aka Mai Peace

0616317489
Chapter 32

*Mai Tinevimbo*

Nguva yaMwari yanga yakwana zvino


ndainyatsozvinzwa munyama dzangu nekuti
zvandaive ndonzwa panguva iyi kana shumba
chaiyo ndaimirisana nayo ndikaidhedha dhedha
muromo. Nguva yekuti wakaipa adamburwe
muswe yanga yakwana zvino. Ko handiti Mwari
vambopa here satan mukana kuti afunge kuti
ndiye ane chimuti , zvino iye zvino vaona satan
idinginda vakabva vatora chimuti chavo

Pandakapedza kueresa vanhu vose vaipenga


ndipo ndakatanga kuona kuti Sifiso aisavepo
ndakaudza vanhu kuti vatenderere kumutsvaka
asi hakuna akada kundinzwa nekuti vaifunga
kuti ndini ndaive ndakonzeresa kupenga
kwevana vechikoro sekutaura kwaive kwaita
godobori.

Zvisinei handina kuzvitsvaka uye ndaisada


kukwikwidza nasatani.

Ndaive zvino ndoda kuchinangana naivo


chabhidha vacho manje. Ndakatora mvura
yangu yemunamato ndokuvati nayo kumeso
kekutanga. Ndakaona munhu oti zeeee zeee
kuda kudonha ndikakati ahusati watanga.

Yakatanga kusvetuka svetuka mai ichienda


mudenga kuratidza masimba ayo
nechemumoyo ndikati unonyepa nhasi vauri
kuonererwa navo vachakuukera mira uone
zvako.

Ndakatomboseka hangu ndikati munhu uyu


anotoda kubatsirwa ndiho urwere hwacho uhu
kana munhu achinzi murwere musafunga kuti
kurwara ndekuya kwekunzwa muviri wako
uchirwadza kwete ikoku ndiko kurwara kukuru
kwekusaziva kuti hakuna simba rinokunda
raMwari nyangwe zvidii.

Ndakasheedzera zvangu fire vairimo


muchadenga imomo vachida kuratidza
zvimasimba zvavo zvechin'anga mutunduru.

Mbuya yakaturunuka ichinoruma pasi


nemuromo kana neni ndakatomboda kuseka
asi yaisava nguva yacho nekuti zvinhu zvanga
zvisina kumira mushe.

Ndaifanira kupedza nembuya iyi faster


ndozoona kuti sifiso awanikwa asati awana
chinomuwira chakashata.

Panguva ino hongu anga achiri kufamba


achipenga hake achienda but ndairatidzwa rima
mberi kwake kureva kuti akanonokerwa
aizogona kuwirwa nedambudziko guru chairo
kana kutorasikirwa neupenyu hwake. Saka
ndaitove munhu aive panguva yakaoma uku
nguva dzanga dzafamba ndaive ndangosiya
vana vega makuseni. But Tinevimbo
ndaisamutyira anga akangwara zvake aiziva
zvese kana kupa mwana chikafu aitokunda
kana isu vanhu vakuru.
Ndakapamha futi kudeedzera fire mbuya iya
yakarara pasi kudaro ikati yatanga kubidirika
ichibongomora mhere zvese nekudeedzera
kukumbira kubatsirwa handina kuda
kuzviteedzera nekuti mbuya iyi yanga
yambodinginda kuda kundizodza madhaka
andisina kutsika.

Ndaida ipupure hun'anga hwayo hweug'ani yega


vanhu vakateerera nekuti zvaisaita kuti ini
ndivaudze kuti ndanga ndichinyeperwa.

Ndakadeedzera futi ketatu kuti fire ,ipapo


pandaideedzera ndaibva ndashandisa ruoko
rwangu rwerudyi kurusimudza ndichirwupotsera
ndakarunangisi divi raive rakarara mbuya
n'anga.
Ndaiti ndikadaro ndaiona mamvari mvari emoto
akananga kumeso chaiko kwambuya vaya asi
izvi zvaionekwa neni badzi uye kana pane umwe
munzwi wedenga anogona kuuona moto uyu
haungoonekwi nemunhu wese wese. Moto
wacho unenge wakaita seuya unoti kana vanhu
vaya vanoshandisa wellding machine iwo uya
unobuda uri mamvari mvari.

Mbuya vaDhela vaive voyuwira zvainzwisa tsitsi,


asi ndakatowedzera kudaidzira moto unopisa
kuti vanyatsonzwa parere moyo ko handiti ivo
vairwadzisa vamwe here?
Nguva iyoyo ndichishandana nambuyaya n'anga
ndipowo pakasvika mbuya vaTawe aaaaa
nhaimi heya ndiyo tsoro yavanga varonga iyi
kutovaratidzwa zvavo vachiienda naSifiso kuti
asambonekwe abve angotetereka achifamba
nenyika.

Ndakavagamha nemubvunzo vasati vambodii


ndikati mamuisa kupi Sifiso mhosva yake
ndeyei chaizvo yamunomushungurudzira
kudaro akadyei chenyu rusvava rwakadero
rwamunoti nanga nanga naye kusvika
pakumufungira nweya wakaipa kudaro.

Mai yaitorwara chete iyoyi kutoda kupengereka


zvino vaisandiziva mushe kuti ndainzi chiorora
mapenzi nhasi vano chiona chete vachaziva
kuti kudenga kuna Mwari.
Ndipo ndakavagadzirira zvekwavo nekuti vaive
votoda kukaka zvinharo. Ndakavamwaya mvura
yemuteuro ndikaona rikiti kuwira pasi zvikati
vaive vajaindi. Munongozive panodonha
mutumba wemai kuti panoita sei?

Ndaive ndisisadi kupedza nguva ndaive ndoda


kuchivamwaya manje kuti vachikunguruka
vachienda paive neumwe wavo ndaida kuti
vave pana mbuya vaDhela vachitsva vakadaro
vari panzvimbo imwe vachirangana kuti next
time vachazoita sei?

Ndichiri kushandana navo ndipo pakasvika


sekuru vaTawe vakaitawo kuzarirwa chaizvo
neshungu vaive vatoibata maths yacho kuti
tsoro yose iyi yaive yarongwa nemukadzi wavo.
Vakangosviko vati nhaaa gumbo veduwe
hamuna chamakaona musi uyu vanhu vakaona
firimu remahara chairo. Yakazhurudzwa mai
yakabatwa gumbo uku sekuru vaTawe
vachitaura kuti ndirikuda Mai Tawe pano ndicho
chinhu chekutanga zvimwe tozozviona kana
muroora wangu auya. Ukaita zvekutamba neni
nhasi ndinokuuraya nyika yese yakatarisa kudai.
Zvirinani kugara mujeri kweupenyu hwangu
hwese pakugara nasatan akaita sewe.

Vakachisiya gumbo riya ndokuchivabata


musoro waive wakarukwa zvimadreads
munongovazivaka vakadzi kuti anenge
achizvitorera pamusoro achiti ndiri mukadzi
wahead.

Vakati vabatwa zvimadreads zviya


ndokusimudzwa nazvo Mai yakatanga
kudetemba kukumbira kuregererwa nekuti
zvaive zvodambuka sekuru vaTawe
vaisambozvitsvaka vaidhonza chete vakananga
kuchisango kuya kwavaive vaudzwa
naTinevimbo kuti ndiko aive vaona mbuya
vaTawe naTinevimbo.

Chavo vaingoti akasawanikwa nhasi ndiwe


uchaudza vamwe kuti munhu ajmhaitirwe
utsinye. Ndakabva kure ndichikuregerera
ndichiti zvimwe uchachinja kuve munhu kwaye
asi nhasi wazondiitira zvikukutu zvigoti
kunyadzisa.

Ndakazoona kuti hazvichaiti ndokumwaya


sekuru vaTawe mvura yekutonhodzera hasha
dzavo ndipo pavakazosiya mai Brian vaya. Asi
vaive vakazarirwa neshungu zvekuti dai vaive
vaviri kutaura kuno mbuya vaTawe vaidzikwa
demo chairo. Zvino ngavatotenda havo Mwari
nekuti achiri kuvada dai anga asingavadi
kutaura kuno vangadei vaitwa zvimwe nekuti
team rose riripano harina tsitsi ranga
richitosheedzera kuti uraya chigan'i ngachife
makambozvionepi munhu anopengesa chikoro
chose. Haa panga pakaoma kani chin'anga
chaingobidirika chiri paya ko chaingotsvaka
ndaida kuti chitsve kusvika chasarenda mabasa
acho nekuti changa chakonzeresa zvakawanda
mudunhu muno asi vanhu vasingambozivi kuti
ndicho honzeri.

Ndakachitanga manje kuudza vanhu gwara


rekuti vatsvake Sifiso naro but anga ave kure
chaiko zvaitoda varume vakasimba chaivo
vaigona kumhanya kuteera kwacho kwaanga
aenda. Pakatoita zvekusarudzwa varume
vaizoenda nevamwewo vanasikana vechikoro
vaya vaigona kumhanya pachikoro. Munhu
wese aienda ndakatanga ndamueresa
nekumugezesa maoko nemvura yemunato
kuitira kuti varege kunohakira pamushonga uya
waive washandiswa waive nesimba zvekuti
vanhu vakangoenda bedzi bedzi vose vagona
kuzonodhunya.

Nguva iyoyo yandaieresa vanhu kuti vaende


ndiyozve nguva yandakakumbira musiki kuti
Sifiso achirega kuenda kure vamuite kuti
angodzemberera panzvimbo imwe. Ndakaudza
team riya raienda kuti rinange pamagirosa ekwa
Chari ndiko kwaange ave kwaive kure
munongoziva kufamba kwemunhu anenge
akagarwa nemhepo kuti kwakasiyana
nekufamba kwemunhu ari normal. Ndiko
kusaka Sifiso anga ave kure aiitwa kutinhwa
nemhepo zvekuti aitoita fanika munhu atakurwa
nechamupupuri.

Vanhu vaya vakazoenda ndokusara


ndoenderera mberi nebasa rangu ndaida
kufumura nyaya dzese dzevaviri ava kuti
dzibude pachena. Ndakachitanga zvino
namuzvina nyaya mbuya vaTawe.
Vanhu vese vaive vakaungana ipapo
ndakavaudza kuti vagare zvavo pasi vamirire
zvaitevera uye munhu wese aifanira kumirira
kuuya kwaSifiso nekuti bag rake raifanira
kupiswa zvese nezvaivemo zvaive zvisisina
kodzero yekuti azvishandise.

Ndakachisheedzera kuti madzimai Tambudzai


chitaurai nyaya yenyu tinzwe kubva
pamakatangira mabasa enyu aya ekusave
netsitsi . Munotambudza vanhu sezita renyu ,
chekutanga ndinoda mupupure kuuraya
kwamakaita mega mwana wenyu nembuya
yenyu iyoyo yamuri pedyo naye. Udzai vanhu
vazive nekuti chiitiko ichocho nanhasi vanhu
vari kunetseka nefiro dzakaita mwana wenyu.
Unova ndiwo mweya wave kukubatisai zvakaipa
nhasi kuve nemoyo kwindi moyo usina tsitsi
nevasina mhaka. Mweya wemwana wenyu uri
kudzingaira nekuti akaenda kuna mbuya n'anga
avo vanobva vamusairira kwamuri nekuti ivo
in'anga vanoziva mushonga wekutandira.

Imi makaenda muchida kubatsirwa nekuti


mwana wenyu anga amitiswa nemurume
wemunhu Saka mukati regai ndibvise nhumbu
yacho. Ipapo mbuya iyo nehungwaru uye zvinhu
zvayo zvanga zvoda ropa ndipo yakakupai
mushonga wekuti mwana wenyu afe. Saka ini
ndinoti muri huku yakanwa zai rayo yega nekuti
makaudzwa nani kuti mwana akamitiswa
nemurume wemunhu ahazvari mwana.
Nemhaka yei musima kufunga kuti
muzochengeta henyu muzukuru pakuda
kubvisa. Chainetsa chiii aisaziva mutupo
wemunhu aive amumitisa makadii kuenda
kumatare pakuda kubvisa chamusina kuisa
muri Mwari here imi ?

Nhasi chionai mazvigokera jambwa nerushava


shava nekuda kuziva nhasi mave nemoyo
dombo nekuda kwekuuraya kwamakaita.

Munofunga here kuti n'anga yenyu inokudai asi


kuti inotokushandisai nhasi uno Sifiso anga
achifanira kufa nekuda kwemushonga
wamakapihwa ingozi ngani dzamaizotaura
heeee ?
Itotendai kuti Sifiso anonamata ndiko Saka
maona zvaramba zvikanhanhira vakawanda
Mwari vada chete kuti zvibude pachena nekuti
pana Sifiso manga motambira kunonyudza
chaiko.

Pandaitsangura izvi zvino n'anga yanga


yangoudyura meso kana vari ivo Mai Brian
handichatauri misodzi ndiyo yanga yotonga
kumeso kwavo. Zvinhi zvese zvanga zvati waya
pachena kuti vaitoshandiswa kufidha
zvikwambo zvambuya iyi neropa remwana
wavo wavaive vapfuudza vega vachifunga kuti
vakangwara.

Ndakatoona kuti ndikataura murume aive


amitisa mwana wababa vabrian zvinhu
hazvaizomira mushe Saka ndakangosiya
yakadero hameno gore razvaizobudawo.

Ipapo Mai Brian vanga vasivhura ziso zvino kuti


vataure zvakaramba kuti vadii zvakaramba.
Ndakaenda pavaive ndokuvamwaya mvura
zvakare vakati vatanga kurotomoka zvese
zvakaitika asi pavainge voda kutaura munhu
aive amitisa mwana wavo ndakabva
ndangovamwaya mvura kuti vatsenge
mukanwa ipapo vambopasiira Mwari yaizosvika
hayo nguva yekuti zvibude pachena. Nekuti
zvikabuda panguva ino yatiri nyaya dzacho
hatizodzikundi saka iyo tave kumbosendeka.

Kutaura chokwadi ivo chaicho Mai Brian


nemuromo uye pfungwa dzavo vaive vakatsidza
kuti havaizofa vakafumura nyaya iyi asi kana
zvadai Mwari vanoita kuti urudunure wega kana
uchigona kuona chiedza woona hako zvinenge
zvave kwauri kugara murima kana kuenda kune
chiedza.

Mbuya vaDhela ndakazovafura zvese zvavaive


vakaita mudunhu mavo hapana chakasara kana
mari yavaive vapihwa namai Brian vanga
vatoishereketetera kuti anoushaya aite
munyama kana pabasa chaipo baba Brian
vanga vasina vhiki vadzingwa nekuda kwemari
yavo yanga yashinhirwa nambuya n'anga.

Panguva iyi baba Brian hapana chavakakwanisa


kutaura hamenowo zvavaive vachifunga kuzoita
asi vakazokumbira kuti mari iyoyo inotorwa uye
iwuye kuzoroonorwa zvayainge yaitwa.
*Narrator*

Vanhu vakatumwa kuteverera Sifiso vaive


vamhanyi chaivo zvekuti pasina nguva vanga
vatosvika pamashop.

Vakasviko bvunza kuvanhu vaivepo


,vakavarondedzera chimiro chasifiso kuitira
kuti vawane kuudzwa kana vaive vambomuona.

Umwe mukadzi ndiye akazoti munhu wamuri


kubvunza anopenga hre. Umwe weteam
raitsvaka Sifiso akabva angotaura kuti atanga
nhasi kutopenga kwacho
Mai vaya vakati nhai Mwari wangu ini
ndamurega achiendwa naye ndafunga kuti
ibenzi ini. Dzirai makadai nekurwizi uko kune
vakomana 4 vaenda naye ndatombovabvunza
kuti ko nemhaka yei asi vangonditi vanomuziva
vari kuenda naye kumba kwavo handina hangu
kumboda kuita nharo navo ndangofunga kuti
vanozivana.

Vanhu vaya vakazodzira nenzira yaive yarehwa ,


vachingonoti pote ndipo vakanzwa haikona
noise yaiveko yanga ichitori yezvibhakera
chaizvo. Yaingova ndini ndinoda kutanga
umwewo ndini ndinoda kutanga pakarwiwa kani.
Iye Sifiso yacho kutoukera zvayo shasha ko
yaomboziva here kuti kudenga kunei
hwaingove utsi zvaho hwaipwititika. Kurwa
kwakaita varume vaya kwakayobatsira Sifiso
nekuti hapana zvaakazoitwa ndiyowo nguva
yakabva yangosvika vanhu vaimutsvaka.

Havana kumboita basa nevaya vaikachana


vakangosviko tora munhu wavo nekutodzokera
kwavaive vabva. Vaya vairwira babie vakasara
zvino vangoti tuzu. Kushaya nechavanga
vachikuvadzirana. Kuti vabvunze zvaisaita
nekuti team raive rauya kuzotora Sifiso ranga
rakati wandei. Saka vaya vakatya kana
kubvunza chimwe chinhu vakabva vangoziva
kuti vanhu ava varikutsvaka musikana wavanga
vachochora nyangwe zvake aipenga asi paive
nezvemukadzi. Zvekuti uri wamuwanira mukana
nyangwe riribenzi unorapisa unenge watoita
mukana wekuzviwanira mukadzi akanaka. Idzi
ipfungwa dzakasara dzifungwa neteam riya
raive rorwira Sifiso asi hazvina zvazvaibatsira
nekuti Sifiso wacho anga atoendwa naye.
Kupenga kwaiita Sifiso kwaitova nani nekuti
aive asingamboiti nharo aingoti amuti hande
ototungamira iye kunge aiziva kwaaiendwa
naye

Zvinova izvo zvakakonzera kuti aendeswe kure


namai Brian. Iyezvino anga atorwazve ne4
varume munoti dai vamubata vese vari 4
paibuda chipenyu here.

Kubvuma kungoteverera ikokozve tinokutenda


nekuti vanhu vauya kuzomutora vangoita nyore
nyore havana kunetseka naye.

Kuya kwaive kwasara vanhu kuchikoro ndiko


kwakazosara kukaita basa guru chairo nababa
Brian. Murume mukuru anga atsamwa zvekuti
handikwanisi kutsanangura. Nguva
dzavakamiswa namai Tinevimbo kuzvuva Mai
Brian hazvina kuperera ipapo. Vanhu vose
vakazosara vakagariswa pasi mweya mutsvene
ukatanga kuita basa rawo.

Mai Brian vakazofumurwa zvainyadzisa kani


munhu waMwari akazorudununura zvose
ahaina kana chayakasiya kuita kurudunura
sebhobhiri reshinda.

Kuita fanika aive akabairirwa pamagetsi zvese


kana nemari yavaive vapihwa n'anga namai
Brian vakaitaura kuti yainge yatigadzirwa
nagodobori.

Kana vari ivo Mai Brian havana kana kukwanisa


kutaura kana shoko 1 zvaro
Murume wavo ainge ashatirwa zvatotyisa
nekuda kwemwana wake ainge aurawa zvisina
tsarukano uye nezvese zvaive zvaitika hapana
kana chimwe chaive chakamunakira. Aive
angomiswa chete nekuti muroora wake auyiwe
naye obva azotangira ipapo achienda mberi
nekuti zvaisaita kuti atange dzimwe asati aona
kuti Mai Tawe vawanikwa here.

Kusvika kwakazoita Mai Tawe navo kwakapa


kuti moyo wasekuru vaTawe uti nyevenukei
zvishoma asi vairwadziwa mumoyo mavo
nechiitiko ichi.

Muprofita waMwari akazo.........


Follow this link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq

Her own decision

♣💔💔💔♣

By Linda aka Mai Peace


061 6317489

Chapter 33

Paiitika nyaka nyaka dzese idzi Mai Pamela


vaivepo zvose zvaive mumeso avo asi
vakashaya kana neremuromo vakaona mhosva
yese iri mukati memaoko avo. Vakaona zvakare
kuti vaifanira kutora matanho panyaya
iyi.Havana chavakagona kutaura kana
kucommenter panyaya iyi asi vakangozofara
kuti Sifiso akazouyiwa naye ndokuyereswa
kupenga ndobva kwatopera.
Vakazoenda zvavo kumba vasina kana
umwechete wavaive vataura naye asi
vachisvika kumba kwavo chekutanga vakaudza
murume wavo nyaya yanga yaitika sezvo shoko
rakasvika kumba kwavo iye murume wacho
atoburitsa mombe kuienda kunodzifudza
kumafuro.

Vakarondedzera murume wavo nyaya yese


yaivapo ndokuzotaurirana vachionesana kuti
voita sei?

Vakazowirirana kuti vaifanira kuzivisa vabereki


vasifiso uye kuvakumbira kuti mwana adzoke
zvake pamba nekuti chimiro chavaive vaona
pana Mai Brian changa chisina kuvajekera.
Vakazofonera baba namai vaSifiso vachivadza
zvavaive vaona . Vabereki vaSifiso vakamboda
kuti siyai akadero asi vakavaonesa nyaya
yaivepo kuti mwana anogona kufa chero nguva
nekuti panga pasina kumira mushe.
Vakazowirirana kuti Sifiso anotorwa zvaive nani
kuti adzoke hake pamba nenyaya yezvainge
zvoitika kwaari. Saka baba vaPamela ndivo
vaizomuka mangwana acho kuenda kwana
Brian neshoko racho rekuti vabereki vasifiso
vanga vati atorwe adzokere zvake kumba.
Nekuti mwana ahaisvika pakupengeswa kuita
fanika akasiya apisa dzimba uye kuita fanika
vabereki vakafa kare. Iyi nyaya haina kutora Mai
Sifiso zvakanaka vakabatikana zvakanyanya
nekuti havana kunge vafunga kuti Mai Brian
vaizosvika pakudai mwana wavo.

*Mai Tinevimbo*
Sifiso akazosvikiwa naye asi iye kutotungamira
chaiko asi zvaingooneka nemafambiro acho
kuti dzanga dzakajamba zveshuwa.
Ungazomuziva here kuti ndiye uya Sifiso
wechimiro chainwisa mvura zvainzwisa tsitsi
chokwadi.

Ndakasheedzera munhu wese kuti ave


panzwimbo imwechete nekuti tanga zvino toda
kuchitaramutsa mhepo iya nekuti yanga
yatogodza panaSifiso, zvekuti dai akarara
akadero kana kuita 2days akadaro aaaa
chokwadi paizoitika zvimwe aitozoita benzi
kweupenyu hwese.

Ndakazomueresa ndokumuudza kuti anotora


bag rake ega nekuti raisafanira kubatwa
nemumwe munhu nekuti taitozopinda busy futi.
Sifiso aive ave boe dzainge dzadzokedzana
pfungwa dzake. Akatanga kuzviringa ringa
muviri wese achizvizunza tsvina semunhu
aizikanwa nehusmart kana naiye
zvakatomunetsawo kuti chii chaizvo chaitora
nzvimbo paari.

Kunotora bag akaramba kunyangwe ndanga


ndatanga ndamueresa aive nekakutya kakuru
chaiko ndakatozoenda ndomene kunotora bag
riya nekukumbira matches ndokuripisa vanhu
vese vakatarisa, maive nemabook chete
nezvinyoreso nezvimwewo zvinowanikwa
mubag remwana wechikoro asi chaive
chakanyanyokosha upenyu hwemunhu mabook
aizotengwa amwe.
Vanhu vakazomwandauka havo voenda
kudzimba dzavo sezvo basa raive rapera asi
vamwe vaingodzembereka varipo
munongomuziva munhu mutema kuda vaida
kubva vaona kuti Sifiso aendawo kumba here?
Asi sekuru vaBrian vakazongotaura pachena
kuti kwangu handidi munhu mai Brian ndinoda
uuye nehama dzako muchizotaura zvinhu zvako.
Pasina izvozvo kwangu hakugurwi benzi
rinouraya mwana warakazvara richifurira
nechin'anga zvino nhasi ndezvipi akaruza ndiani
iwe nen'anga yako.

Ndikuone uchiti tocha tocha uchiuya kumba


kwangu namai vangu kudai ndinokudzika demo
chairo. Usafunga kuti moyo wangu muchena
nengozi yawanga wandiparira iyi.

Vakazotaura zvakare kuti mari iya yaive


yapihwa n'anga namai Brian sezvo yaive
yashinhirwa vaisaida zvavo vakati kana
zvaibvira ipiswe zvayo. Mbuya vaya n'anga
vazotaura kuti mari yacho vainge vanayo saka
vakabvawo vangoiburitsa kuti ipiswe.
Vakandigamuchidza mari iya kuti ndipise asi
handina kuipisa ndaieresa ndokuvadzosera
hangu kuti vagoshandisa sezvo baba Brian
vanga vairamba. Mbuya vayawo kuti tana
kuramba mari iya kuita fanika havasi ivo vanga
vaigadzira , ndakatoseka hangu kuti inga
zvakaoma heya vanhu vanoita ugan'i ivo
vachitya kudaro.
Ndofunga vanga vofunga kuti zvavanga vaita
mari iya zvaizovadzokera ivo.
Izvo kwaani mari yanga yatochena kare
nekuieresa kwandaive ndaiita.
Ndakazoona hangu kuti handipisi mari isisina
kuipa sezvo yaive yoitwa gandidzanwa
ndakazongotaura pachena kuti mari iyi ndave
kuishandisa zvangu.

Pakapedza baba Brian kutaura mashoko iwayo


vakabva vatofamba kuenda , maBrian vakasara
paya vongoti roi roi meso vasisazivi kuti vodii
ndipo paunoona kuti kuita zvimwe zvinhu vanhu
ngatitangei tafunga kuti ko zvondoita zvinhu izvi
hazvizondipandukiri here mangwana. Zvaive
zvotonzwisa tsits and ndakabva
ndangoratidzwa guva mberi kwamai Brian
nguva iyoyo kureva kuti vakasabatsirwa
vaitozviurauya straight..

Vanhu vakazotanga kuti aziva kwake aziva


kwake apa kwanga kototanga kusviba. Ini
ndakazotorana naSifiso wangu toenda hedu
kumba.
Takasviko wana Tinevimbo atogezeza mwana
atomupfekedza zvinodziya sezvo kwaive
kotonhora iyewo aive ageza. Yooo mwana anga
akangwara hake iyeyu.

Sifiso anga akangopusa pusa aitongochema


nemuviri wake kuti wairwadza maybe
kuzvibonderedza kwaaita uye dzimwe nzvimbo
dzanga dzakatokuzvuka . Haaa paive nenyaya
zvanga zvamuvhiringa sure aitoda kushandirwa
zvakasimba nekuti akasashandirwa aigona
kuzoita seduruturu. Ndakatanga hangu kutaura
naye dzimwe nyaya kuitira kuti amboti
kanganwei nezve zvaive zvaitika kwaari. Aidaira
hake asi aive asisiri iye Sifiso wangu
wandaiziva , asi zvaizopera hazvo nekufamba
kwenguva nekurreswa uye semunhu aive
ambovhungwa ahaingobva aita right nguva
iyoyo.
*Mai Brian*

Ndipo paunotanga kuziva kuti upenyu


hwakaoma and hunorema kwekunanga chaiko
ndiko ndaisaziva panguva iyi.
Ndakatombofunga kuenda nambuya vaDhela
kunorara kumba kwavo ndozomuka hangu
ndichiona zvekuita kwaedza.

Kunovati tiringindi nezvenyaya yacho,


vakarambisisa hanzi handichadi zvevaroi
kumba kwangu ndiudzeiwo chero ndimi veduwe
aive muroi ivo neni ndiani? Yaaa unoomerwa
kushaya wekudza kana wekuchemera. Ko nyika
yose inenge yokusema kuita fanika wazviitira
tsvina iye azviitira tsvina aitori nani nekuti
nhunzi dzinogona kuenda paari dzichitevera
mweya wetsvina uya. Zvino ini hapana kana
chaive chichasvika pandiri chero ndichifamba
vanhu vaiita kutaramuka kundidziurira
kusamboda kana kuve pedo neni. Hauchemi
veduwe zvinenge zvaoma zvekuti unoshaya kuti
ndonyura pasi here kana kuti ndodii?

Mbuya yaitsvinya zvayo iyoyo ugoona ndivo


vaitondishandisa iyezvino vave kunditi muroi.
Kundiuraisa mwana wangu vachiti mushonga
wekubvisa nhumbu inga zvakaoma shuwa.
Kubva nguva yazvafumurwa nemukadzi uyu
iyezvino ndave kungoona face yemwana wangu
mumaziso angu. Haya ndinopabuda here apa
kana kuti ndiko kwatove kufa kwangu. Zvino
ndini ndave kunogara musango zvaive zvoita
sifiso rwendo rwuya ushe madzoro chokwadi.
Zvino musango tsvubvi nenyii zvazvakuva
ndinodyei ?
Kuti ndidii ? ndingoinda kumusha kwangu ko
varoora ndonogara sei navo ivo vagara
vasingadi chero kuona pandatsika. Ummmmm
chinhu chinonzi n'anga puuuu kune vachiri kuita
zven'anga mukore uno pfirai pasi imbwa
dzinonge honai pazvandisvitsa ini nhasi imba
yangu yaparara nekuda kwen'anga.

Ndave kushaya kana kwekunanga nekuda


kwen'anga ndoruza zvinhu zvingani nekuda
kwen'anga. Chekutanga ndakaruza mwana
wangu chepiri ndoruza musha wangu chetatu
chero iye Brian akazvinzwa achazvitora sei
achanditora samai vake here? Kutoruza zvakare
umwe mwana wangu uku.
Kuoma kweupenyu ndokuziva better kuenda
kunokumbira ruregerero kuna sifiso
ndozozviuraya hangu ko ndingagoita sei ?
Better kufa ndaregererwa hangu naSifiso nekuti
ndanga ndichimushingurudza nekuda
kwemweya wetsvina uye mweya wemwana
wangu wandakasundirwa nambuya vaDhela.
Ummmmm mai inoroya hayo iya handina
kumboziva kuti ndiri kutamba nechikakarara
chakadaro nhasi zvazobuda pachena. Asi
chandakagona hapana nekuti ndini ndave
pama1 Sifiso wandaida kuti apenge zvakona ini
pekugara handichina ndini ndakutambura
manje. Saka ndongoda hangu kukuyambirai
vanhu vaMwari kuti kana uchida kuita chinhu
tanga wachiongorora nekuzvibvunza kuti zvinhu
zvondoita izvi mangwana hazvizondipariri here?
Mukangogona izvozvo chete mararama
hamuzochemi seni kudai.

Kana iri misodzi ndiyo yanga yongochururka


isina anopukuta zvese nemadzihwa zvanga
zvongoerera zvichinodoneera
nechepamapendekete, ukaona uchikuwaniswa
nguva yekupukuta unenge wakagarika kwete
nguva yandaive ndiri ini. Unodemba wani kuti
dai ndangoona shumba yandidya hayo.

Ndakazotanga kufamba zvishoma nezvishoma


kuenda kumba kwaigara Sifiso hongu ndainzwa
kunyara zvakanyanya asi yaisava nguva yacho .
Ndaifanira kunomukumbira ruregerero
ndozorusimudzira kuona kuti ndoita sei?
Pfungwa yangu yaive yazembera
pakuzvipfuudza chaipo ko ndairaramirei hangu
mutadzi mukuri akaita seni ndiani hake
aizondidawo pamba pake nembiri yaive
yatofamba kudaro. Chero kumusha kwangu
chaiko ndofunga zvatosvika.
Ndikada kuendako ndowana ndakatogadzirirwa
size chaiyo inondikwana.

Ndakafamba hangu paya ndokusvika pamba


paya vakomana nyadzi hadziurayi musi uyu
ndiwo ndingadei ndakafa nekunyara.

Ndakasvika paya ndokugugudza nekuti vaive


vatovhara door ravo. Vakadavira vairmo mukati
akadavira mukadzi uya. Ndipo ndakati ndini
mbuya vaTawe ndingakuonaiwo here.
Mai Tine : Kwakanaka here mbuya vaTawe
ko muchipano nekudoka kwakwaita kudai.

Me : Aaaaah ndinoenda hangu ndati ndidarike


nepano kuti mundikumbirirewo ruregerero
kumuroora wangu handiziviwo kuti chii chaizvo
chaive chakandigara chokwadi ndakabvuma
kushandiswa nasatan nemutowo usiri iwo.

Chokwadi Mai Tawe ndiregererewo hako


mumoyo mako ndizvo chete zvandafambira
hangu nepano ndichidarika.

Apa ndaive ndongorudunura kutaura ndaida kuti


vazopindura ndapedza kutaura zvandaive
ndafambira.
Vakazobuda mai vaya panze apa misodzi
yaingoerera chete zvese nemadzihwa.

Vakazodeedza Mai Tawe vakati vamwene vako


vari pano vari kuchema kuregererwa. Iye
akazobuda ndofunga aive anzwa mashoko
andaive ndataura nekuti akatobuda misodzi
yakati mokoto mumaziso.

Hana yangu yakarova ndikati nhasi zvangu


ndogona kana kungodirwa mbama naSifiso
handiti ndiye anechimuti here?

Paakangobuda chete ndakatotanga kuita


kuhwihwidza kuchema chaiko zviya zvekuzviita
vamuziva zvose zvinopera kuti tsvai chero
ukadirwa mbama nekamwama kadiki unongoti
nkosi ukaona uchiri kuita mawara unenge usati
wafumurwa sezvandaive ndaitwa.

Pakabuda Sifiso ndakabva ndawedzera


kuchema kuti zvityiseka abve andinzwira tsitsi.
Akatangawo kuchema zvainzwisa tsitsi
ndakasimuka pandaive ndagara ndokuenda
paaive akamira ndokusviko pfugama ndakaisa
musoro wangu patsoka dzake zvekuti misodzi
yese yaive yoyerera ichienda patsoka dzake
takatora nguva tichichema takadaro gare gare
ndakazoona mai vaya vobuda mumba vakabata
kaface towel ndokutambidza Sifiso
akakatambira, vakabva vamupa sign yekuti
andipukute misodzi,iye ndokuita saizvozvo.
Akatanga kundipukuta misodzi pamatama angu.
Ndakatombofunga kuti ndiri kurota zvaireva
kuregererwa kaizvi vakomana ndakanzwa moyo
wangu kufara zvandisati ndamboita muupenyu
hwangu. Ndakasimuka paya ndokumumbundira
ndikati sorry muroora wangu ndaishandiswa
nasatan. Ndinofara zvikuru nekundiregerera
kwawaita chokwadi Mwari vakuitire zvose
zvaunoshuvira paupenyu hwako.

Handina zvizhinji zvandaive ndichada panguva


iyi ndakati mwana ngauye panze paya ndaida
kuona muzukuru wangu kekupedzesera nekuti
ndaiziva kuti ndave kunozvipfuudza hangu
sezvo Mai Tawe andiregerera ndaizofa moyo
wangu wakachena. Mwana akabudiwa naye
kunyangwe ndaive mutadzi zvangu asi
ndakatora mwana wemwana wangu
ndomuoneka murugare . Ndakazooneka hangu
ndoenda ko maths dzangu ndaive ndaronga
ndapedza kare. Ndaida kunozvisungirira
pakahwanda chaipo pandisingambooneki . Ko
ndaida kuonekwa kuti ndiri munhuwo here
ndakatadza kufunga kuti ramangwana rangu
richazomira sei saka handikodzeri kuunganirwa
nevanhu vachindiviga better kudyiwa nembwa
hangu.

Ndakazovaudza kuti ndave kuenda, Mai vaya


vakabvunza kuti saka apa mukunanga kupi ?

Ndakangovaudza kuti chero kwandananga ko


ndaive nekwekuenda here ndiani
aizondigamuchira nemamiriro aive akaita
zvinhu.

Ndakabuda hangu ndotsunzutira murima muya


ko handiti kwaive kwatosviba here?

Chaive chondinetsa ndechekuti ndaizorara pai


nekuti kwanga kwasviba zvekuti chero makavi
acho ndaimasvuura sei murima imomo saka
ndaitozozviita mangwana kwaedza.

Ndisina kure kwandaenda ndakanzwa


kudaidzwa kumashure kwangu .

Voice : *Mhamha mhama*

Ndakamboda kudaira asi ndakatoona kuti


zvaisaita kudaira nekuti ndaive ndoita
sendonetsa vanhu nezvinhu zvandaive
ndakazviparira ndega saka ndaifanira kuripira
mhosva dzangu nekuzviuraya. Voice ndaive
ndarinzwa raive ramai Tawe akaramba
achidaidza asi handina kudaira . Ndakabva
ndatofunga kuhwanda nekuti aiive otodaidza
achimhanya kuuya kwandiri .
Ndichinoti nditi budei munzira ndipinde hangu
muchisango kuti asandione ndipo ndakaona
abatidza light rephone . Ndakabva ndangoti
pachena waya kuonekwa ndakanyara veduwe
nekuti ndaive ndanyararira munhu ini
ndichinzwa kuti ari kudaidza.

Ndakazongonyadzurudza ndokuti sorry


mwanangu ndarega kudaira nekuti ndaona kuti
ndave kutokunetsai nezvinhu zvandakazviitira
ndega iwe pako wasakura ukazunza
kundiregerera kwawaita ikoko ndinokutenda
urambe une moyo wako dai ari umwe aramba
asi iwe ndatya newe uri mwana wekuvanhu
chokwadi mwari akutungamire panezvese
hazvo zvauchaita kana kubata muupenyu
ndinoti mwari vazviropafadze. Chidzokera hako
mwanangu unozorora muviri wako ndozviziviva
kuti uri kurwadza nekuda kwangu ,
pandakangotaura mashoko iwayo ndakanzwa
misodzi kutobuda uku moyo uchipisa kurwadza.

Ahana kudzokera asi kuti akaramba chete


achiuya kwandainge ndiri haaa ndakatonzwa
kusvotwa naye ini aaaaa munhu wepi aidei
kumunhu akamuitira zvonorwadza kudaro.
Ndakatoona kuti plan yake yaive yekuda
kunditadzisa madhiri angu zvino ini ndakatoona
kuti better ndimubudire pachena zvaive
mumoyo mangu maybe aizondisiya hangu
ndichienda.

Me : Mai Tawe ndokumbirawo kuti


udzokere zvako chekutanga ndoda
kungokuudza kuti usare uchengete muzukuru
wangu uye usazofe wakarasisa mwana wangu
Brian apo ndinokumbirisa nekuti ndakakutarisa
ndinoona kutsungirira uye moyo munyoro uzere
netsitsi nekuregerera hongu wandiregera zvako
asi handioni chekuraramira nekuti ndakatadza
zvizhinji pasi nekudenga. Saka ini ndafunga
zvangu kuzvipfuudza nekuti handioni
chandichararamira ndinoenda kupi ndianiwo
zvake achandida nezvandiri kudai. Ndinozviziva
kuti kana hama dzangu chaidzo dzichandiita
gandidzanwa hakuna achanditambira, kumba
kwangu chaiko hakutsikiki natezvara vako ,
kungozvizama chete kuendako ndinodzikwa
demo chairo mumusoro. Saka better kusada
kuzodza vanhu madhaka kuti vazonzi
vakandiuraya ndinofanira kuzviuraya ndega
kuripira mhosva dzangu, pako wapedza
mwanangu dzokera kumba kumuzukuru wangu.

Apa Mai Tawe anga achiita kupfugama manje


kumberi kwangu, kana mozogara kune vamwe
vanhu vakapihwa moyo yavo yakanaka naMwari
nekwandaiva ndabva ndichimushungurudza
mwana uyu aisafanira kundiitira tsitsi
dzakadero. Asi iye ahana kutarisa zvose
izvozvo akatotanga kuuchira maoko hanzi
mhamha handei kumba munorara munozofuma
henyu moona zvekuita mangwana kwete
zvekuzviuraya zvamuri kufunga izvo. Inga
Mwari vanotaura wani kuti huyai kwandiri
nezvitadzo zvenyu kunyangwe zvakakura sei
anozvichenesa semakushe ehwai, chakakosha
kubvuma mhosva dzenyu chete Mwari
vanokuregererai amai. Rasai pfungwa iyoyo
yakugarai nekuti mukazviuraya munenge
matowedzera mhosva pamusoro paimwe.
Mwari havatenderi kuti munhu uzvibvise mweya
wavakaisa ivo kunze kwaivo chete ndivo
vanekodzero dzekutora mweya wavo kana
nguva yavo yakwana. Musatyira ramangwana
renyu kuti muchagara pai , muchadyei uye
muchafugei izvo siirai kuna Mwari ndivo
vacharuramisa makwara enyu chenyu kumira
pachokwadi chete kusatya kana kuvanza
mhosva dzenyu sezvamuri kuita izvi matogona
ivo baba kudenga vari kutokunzwai. Musatya
zvenyu amai inga shiri dzinorarama wani asi
hadzina padzinorima zvekudya zvadzo saka
nemi achakuitai kuti murarame chete
chakangokosha kuzvipa kwaari chete.

Achiri kutaura kudaro ndakaona Mai vaya


vaanogara navo tocha tocha kufambawo
kusvika pataive. Zvakandinetsa kuti ko vanhu
ava vari kumborwei chaizvo pandiri kuda
kundikonesa kuzvifira nefiro dzangu
dzandaronga dziri nani asi vanoda here
kuzofara ndoita zvekutemwa neshanhu nababa
Brian kana kuti ndoita zvekuisirwa muchetura
nevakadzi vehanzvadzi dzangu. Iyi ndiyo
yatovewo miedzo isina kundiso. Asi mashoko
aive ataurwa namai Tawe aive makukutu
nyangwe hangu ndaisakwanisa kumatevedzera
aive andiparidzira mashoko ane hudzamu
chaiwo but it was too late. Ndaitoona nguva
yangu yakwana chekuraramira painge pasina ko
ndaizovewo chii hangu panyika pacho.
Akatomboda kunditi batei mashoko asi
ndakazomakandira kure.

Vagoti vatanga kuti zare neni hanzi


hatidzokerei kumba munorara munozofuma
mofamba kwakachena. Ini hezvo ndinofuma
ndofamba kwakachena ndichinangepi zvangu
haiwa ngavandisiye zvangu handichadi
zvekuswero netsa vanhu ini ndatove mutoro
chaiwo kuvanhu hapana anombondida mumba
make Saka plan yangu yandaronga boe zvekuti.

Vakazoramba vangondimanikadza paya vari


vaviri kundiita garira noko chaiko ndega
ndakangozoona kuti better kudzokera navo
ndonorara hangu ndofuma ndichiita maths
dzangu. Takazodungamidzana todzokera
kumba kuya asi ini moyo wangu waisave
panzvimbo ndainzwa kunyara kukuru.
Ndizvo zviya zvinonzi nevakuru dai ndakaziva
haitungamiri, munoti dai ndakaziva
ndaizomboitira Sifiso utsinye hwakadero here
ndingadai ndisina kumbodaro nekuti iyewo
aisave nemhosva panyaya iyi asi kuti ndaifunga
kuti ndiri kutsiva izvo ndiri kutorwadzisa mweya
waMwari usina hawo mhaka.

Munhu chaiye anga akaipa panyaya iyi


ndimbuya vaDhela ndiyo yaive nyoka huru
chaiyo , veduwe kana mozogara siyai
zvekuenda kun'anga nekuti munhu anotora
advantage yedambudziko rako kucover zvake
zvinomunetsa ndizvo zvakaita mbuya vaDhela.
Vakauraya mwana wangu kuda kupa
zvikwambo zvavo ropa izvo ini ndiri kuti kubvisa
mwana nhumbu izvo ndapihwa mushonga
wekuuraya. Ugoona muridzi wenhumbu aive ati
anochengeta mwana wake, chandakangoshora
ini inyaya yekuti nyaya iyi yakanzi iitiwe scret. Ini
aaaah ko kubvisa nhumbu yacho izvo kwaani
ndazvigokera moto muziso ndega kuzvitsvata
chaiko.

Takasvika hedu kumba kuya ndokusviko gara


ava vanhu vaingondinetsa havo handiziviwo
chavaindinetsera uye kuti vaiwaneiwo pandiri
mutadzi mukuru.

Chikafu changa chatobikwa kare ndokupakurwa


ko ini ndaimboda kudya here? Zvaitova kure
neni chero nzara yacho ndaisainzwa ini
kwaingova kuzvinetsa havo.

Ndakamanikidzwazve kudya kuya kwandaisada


ndokungoti nyobvo nyobvo ndokusiya haaa
kana ari saMai Tawe aitoita seakapikwa chaiko
ndakamanikidzwazve kudya sadza iriya
kusvikira ndaripedza rese kuti tsvai aaaa
zvainaka wena zvacho zvaive zvabikwa. Ko icho
Tawe kana kuda kuchabva pamakumbo agogo
vacho apa changa chakura chimuzukuru
changu. Chokwadi ndakazviona kuti nguva yese
ndaitamba nenguva ko dai ndakangogarawo
zvakanaka nemhuri yangu handiti pangadai
pasina chakaipa.

Chete kuti chinoda kufa chinovingira hezvo


ndave kuzvikanda muguva ndega nekuda
kwemoyo dombo , moyo mukukutu , ndamba
kuudzwa munoti dai ndaiteera kutaura kwababa
Brian ndingadai ndiri panguva yakadai here?
Kutomborohwa yooo asi ndaisadzora tsvimbo
ummmmm kana satan ada kukusevenzesaka
anokusiya wave mugoronga rakadzika dzika
rekuti ahumbomubudi wega kunze kwekuti
kana wawana anokukandira tambo kuti ubatirire
ubudemo pasina izvozvo kutongofiramo. Ndiyo
situation yandanga ndave panguva ino satan
changa chatiza zvino chandisiya ndave panguva
yakaoma.

*Baba Brian*

Pandakabva panyanyaka dzamai Brian ndainge


ndongoona dzungu kuita kupererwa chaiko
nehasha. Ndakanopinda mumota mangu asi
ndaisaziva zvekuita zvekuti dai paive neumwe
munhu anogona kudriver musi uyu angadei
akandibatsira hake. Chekutanga ndichipinda
mumota ndisati ndaisimudza ndakatora phone
yangu ndokufonera Brian ndaida kuti auye
kuzozvionera handina kuda kumuudza chimwe
chinhu ndakangomuudza chete kuti mangwana
ngaakwire bhazi auye kuno.

Ndakamuudza kuti ndaizotaura nahead


wepachikoro pavo kuti amupe 2 or3 days nekuti
pane zvikuru zvaida kugadziriswa. Head vaya
havana kunetsa zvavo asi vakangoti zvaizogona
kukanganisa mwana chikoro nekuti 3days
dzanga dzakawandisa mwana aizorasikirwa
nezvidzidzo zvakawana Saka vakamupa 2 days .

Paive pasina chakashata hacho pa2 days


idzodzo dzaive right chandaida chete kuti Brian
azonzwira mabasa amai vake. Ndaida
kuzoenda naye kumusha kwamai vake
tichinosiya nhumbi dzavo nekuti pangu pamba
kana gumbo ravo kuda kuriona richipatsika.
Ndaifa zvangu ndiri tsvimborume pakugarisana
nemukadzi akaita samai Brian.

Ndakairova mota ndakananga kumba pfungwa


dzangu dzaive dzisina kana kugadzikana dzaive
dzichavhiringika. Ndichinoti pakonei pakona
handina kuona kuti pane mombe yaida
kucrossa paya ndakabva ndangoti ndichiti
ndikone ndiye........

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq
♣💔💔💔💔💔💔💔♣
Her own decision

💓
By Linda aka Mai Peace

0616317489

0611169903

Chapter 34
*Mai Brian*

Ndakazorara hangu asi moyo wangu waive usiri


panzvimbo chizukuru changu chakachemera
kurara neni aaaa inga zvakaoma ugoona aisada
kundiona asi apa anga ava kutoita
kutondichemera chaiko. Regai zvichinzi
nevakuru mwana muprofiti chokwadi
muzukuru wangu ave kuona kuti gogo
havachina chavanacho rangova zuru rakapinda
nyoka.

Kutaurawo chokwadi ndanga ndave muchena


wevachena handiti zvese zvanga zvafumuka
here kana neni ndanga ndisisadi kana kunzwa
nezvekubata mushonga kana kuita moyo
wakaipa ndanga ndapfidza chaiko.

Kwakazosara koedza ndichingoti roi roi meso


murima ko ndaive ndambokotsira here. Ukaona
paunokotsira uri padambudziko rinenge risiri
dambudziko serangu unodziwanepi hope iwe
uri panguva yakaoma kudaro.

Kusati kwambodii ndaive ndotooneka ko ndaida


kuita maths dzangu vanhu vasati vamuka
ndaida kuti zuva rizobuda ndatoronga rwendo
rwangu rwekwamupfiga nebwe ndapedza
nazvo. Ndakamuka hangu ndokumutsa
chizukuru changu chaive chakarara pachipfuva
changu kuti ndimuoneke ndaive ndave
kumashure kwenguva.

Ndaiti ndikatarisa Tawe ndainzwa misodzi


yangu kuda kubuda ndaive ndarasa mukana
ndega nekuti ndaitadza kufunga zvisinei panga
pasina yekutamba.
Handina kuziva kuti kumutsa kwandaive ndaita
Tawe ndaive ndazviparirawo rimwe basa nekuti
pandakamumutsa ndaive ndotoda kubuda.

Ndakamupa tsvodi ndikati byee byee muzukuru


wangu, ndine hurombo mwana wemwana
wangu ndakashaiwa mukana newe nekuda
kwasatan aive akandipfeka chisara hako
murugare.

Mai Tawe akabva angoti "mhama kuoneka


mwana rudzii ikoko kuita fanika
musisazomuoni futi?"

Ndakangoti aaaa ndokunyarara hangu ndaive


ndapererwa nezvekutaura,ko ndaizotii hangu?

Ndakasimuka hangu paya ndokuvaoneka kuti


ndave kumbofamba kuchikuseni.

Mai Tinevimbo akati kwete vakoma munoda


kunangepi iyezvino ndizvo ndinoda kuziva
musati mabuda pano.

Me : Aaaaa uchazvitsvakirei hako inga


makandibatsira wani kundiregera zvose
nekundipa pekurara makagona chaizvo
murambe mune moyo yenyu iyoyo tozoonana
kana mwari vachinge vatendera.

Ndakazoisa chizukuru changu pasi kuti ndibude


hangu kuenda asi ndaive ndabatana nazvo
agoti kuramba kuti bheee kana kuda kuiswa
pasi. Nhai veduwe mwana uyu zvaive oda
kundinonotsa nhaimi zvaizoita here kuonekwa
nevanhu ndichiruka godha rekuzvisungirira.
Zvaanga ave ma1 angu chaiwo apa ndaive
ndave kumashure kwenguva.

Ndakati Mai Tawe tora mwana ndifambe


kuchikuseni mwanangu. Mai Tinevimbo
vakazoti vakoma zvese zvamuri kufunga ndiri
kuzviziva zvino hamunzwire muzukuru wenyu
tsitsi here kutanga kuyanana naye nekutoda
kumusiya zvamuchose hamuoni here kuti
hazviiti.

Izvi zvanga zvakatooma chaiko kana vaifunga


kuti vachandikonesa kufa vaitozvinyepera
ndaive ndatoronga ndapedza kare
ndaisarongonyora ini.
Mai Tinevimbo akazoti mukunyepa mbuya
vaTawe tiri tese zvese zvamuri kuronga muri
kunyepa hamushaye kwekuenda now
ndakukueresai kuti munange kumusha kwenyu
asi kana muchida imba yenyu zvinozobva kuna
Musiki aona kushinga kunamata kwenyu uye
awona kuti mabva zvachose mumabasa
akashata asi kana muine kunyengedza hakuna
chenyu.

Garai apa ndikueresei muende kumusha


kwenyu straight musambowane kumwe
kwamunonanga nangai pahanzvadzi yenyu
hombe muchanoona muchigamuchirwa
zvakanaka gwadamai apa tione.

Ndakamboti pano nepano asi kwaive kutamba


nenguva mukadzi anga akaoma iyeye,
ndakazogara hangu ndokuereswa paya. Apedza
ndakapihwa muteuro wekusvika ndichikanda
pachivanze pacho.

Ndakazobvuma hangu sezvo zvanga zvaitwa


nemunhu waMwari asi zvikangonondiomera
ikoko ndinongozvipfuudza ndanga ndisisina
choice.

Ndakazoereswa ndokupihwa muteuro uya


ndokuchioneka hangu. Vakazobuda vese
kundiperekedza ndakatakura hangu muzukuru
wangu. Vakazodzokera havo Tawe uya kana
kuzombochema kutondibhaibhisa zvacho
chichisekera. Chaive choziva kuti gogo vasiya
urongwa hwavo hwekufa .

Ndakazopinda hangu munzira kuenda


kunokwirirwa mamota.

Handina kumbosviko mira ndakangosvikisana


nekombi ndokutokwira hangu kuenda mari
haina hayo kundinetsa nekuti ndaive nayo
ndaisafamba ndisina mari.

Kuma 10 ndakanga ndatoburuka ndakatora


nzira kuenda kwabhudhi vakuru . Apa hana
yaingorova kuti ndichadzingwa hangu sembwa
asi kwaitongova kushanda nezvaivepo hapana
zvandaigonawo kuita kana vandidzinga
ndaingoonawo yekutamba,ko handiti makavi
azere here munyika uye miti mikuru
yekuzvisungirira inopera yabiwa.
Ndakasvika hangu kwaisava kure neroad ,
ndakangosviko kanda munamato wangu
ndisina kana kumboti tisvikewo ndakazoita
ndatopedza kukanda munamato wangu.
Pandakangoti tisvikewo muroora ndiye akadaira
bhudhi vanga vasipo maybe vanga vaenda
kushop kwavo. Vakadaira vachitobuda panze ,
kungonditi baaa chete vagoti kundimhanyira
kuita senge tichadonga nekumbundirana.
Ndakarohwa nehana ndaisazvitarisira ini ndaive
ndave nemakore anokwana matatu
tisingataudzani naye makoti wangu iyeyu.

Hanzi ndanzwa inzwi tete ndafunga kuti pamwe


ndatadza kunzwa inzwi renyu yoooo pakafarwa
kani huku nekutobatwa nguva iyoyo.
Hanzi tete maita zvakanaka ndine hope dzenyu
mangwana chaiye tinotoenda kuchurch . Zvese
zvakaitika ndanga ndatozvipihwa kare saka
magona mauya tete potoda kumboshinga
kunamata zvese nekutsanya zvose
zvinogadzirika chodiwa chete kuva pachokwadi
tete hazvichadi kunyara kana kuvanza udzai
mwari wenyu chaizvo chaizvo chose
chamakabata munofanira kureurura zvese
nekufumura mweya yemadzinza, chitotendai
Mwari nekuti manga mave pedyo kukamurirwa
uroyi neshamwari yenyu n'anga iyoyo. Ndiko
kusaka maiona taisakudai tete tanga tave
kutokutyai nekuda kwen'anga yenyu uye nyaya
yakaitika pakufa kwemuzukuru wangu muchida
kumubvisa nhumbu zvino nhasi zvese zvabuda
pachena chibvai mapfira mate pasi tete imbwa
dzinonge. Mazuvano vanhu vave kurarama
mukubata zven'anga zvakapera kare plus
n'anga zhinji varoi vega vega.
Ndanga ndangoti ziii muroora wangu
achiropodza ummm mukadzi aitaura hake iyeye
ndasimudza maoko asi aitaura hake zvine
musoro.

Ndakazobvumirana naye ndikati zvekwaMwari


ndizvo ndave kutoda ndakatotendeuka chero
ndisati ndabatwa musoro hangu asi moyo
wangu wakatosiya zvese zvenyika. Ndanga ndiri
hwai yakarasika asi zvino muroora wangu
andiratidza chiedza handina kuziva kuti
ndairwisana nemutumwa waMwari chokwadi
ndakatadza pasi nekudenga dai mwari
vangondipawo mukana wekuvanamata vaone
kuti satan ahachina nzvimbo mumoyo mangu.

Chokwadi zvinhu zvinosanduka nenguva diki


diki ungazoziva here kuti ndini uya
aisambodiwa kana kuonekwa pandatsika
nevaroora asi nhasi uno ndini ndave kuurairwa
huku pasina kana nguva ndasvika.

Ndinoda kungozvitenda izvozvo kuburikidza


namai Tawe ruva raMwari raakanga aunza
mukati memusha wangu kuti muve nemufaro
asi ndakatadza kuzviona nekuda kweshanje
dzisiha direction. Ndodazve nekutenda Mai
vaanogara navo vakaziva Mwari nguva ichipo
akavaita mudziyo wake waanoshandisa vanova
ndivo nhasi vaita kuti ndione chiedza chaMwari.
Vaita zvakare kuti hama dzangu dzindionewo
semunhu pane vamwe vanhu. Munoti dai
ndangouya bedzi ndisina kuereswa kana
kupihwa muteuro uyo wandashandisa kukanda
pachivanze chii chingadai chaitika.

Handiti ndingadai ndangosviko garirirwa


kudzingwa ndisati ndambopinda kana
nemuchivanze mese. Saka zivai kuti kune
vamwe vanhu vanotaura nedenga richivanzwa.

Hupenyu hwangu ndaiona hwave kuendeka


ndanga ndachinja ndave kuda kushandira
Mwari wangu manje , zvese zvekuti kumba
kwangu ndanga ndisisazvifungi asi kuti ndanga
ndofunga kufadza musiki kugadzirisa pese
pandaitadza kukura nzira yangu yekumabviro
nezuva.

*Brian*

Pandakafonerwa namudhara hana yangu


yakarova zvaitotyisa chaizvo zvekuti
ndakatombopazama musoro . Munhu akatanga
kuuya mupfungwa dzangu ndi Sifiso kuti
chingava chii changa chamuwira .
Haaaa iyo nyaya yekuti munhu anofona orega
kupedza kutaura nyaya yake inorwadza kusvika
pabhonzo. Inga chero kwafiwa chero ruri
urwere zvinongotaurwa wani ko ivo changa
chambovatadzisa kungopedza kutaura nyaya
yavo chiii ? Unodzoka wofunga zvakawanda
wanda zvekuti unopedzesera wofunga nezvisiri
izvo.

Ndaive ndatove mujere chaimo nepfungwa


dzichikazhana kubata chino nechocho kuzama
kubatanidza kuti kambe chii chaizvo chaive
chaitika chandaibva ndanzi ndimbouya kumba.
Ndega ndaiti ndakazvitarisa ndaiona pane
nyaya hombe chaiyo. Zvaipa ndizofunga
zvakare kuti pamwe Sifiso ane zvaakaita kuti
anga odanana nahead vaya vakazobatikidzwa
ummmm kana zvadaro ndinenge ndichiendepi
hangu.

Ndakatombofunga kuvafonera nguva iyoyo


ndichivaudza kuti handisi kuuya ini , moyo
wangu waive wotorwadza pandakangofunga
nyaya yahead vaya. Moyo wangu wakabva
wangofunga zuva riya ndichida kurara naSifiso
Mai vanochengeta Tawe ndipo vakazvidira
jecha. Ndakanzwa moyo wangu kuvavenga
zvakanyanya nekuti vaive vandikonesa dhiri
rangu. Pamwe kutaura kuno ndingadei
ndakasiya Sifiso atori nenhumbu yangu.
Zvechikoro kwandiri zvaisava nebasa as long
ndaita kuti pasawana chinovhiringidza rudo
rwedu ko handiti ndini baba here
ndaizongodzidza ini ndozoshanda ndochengeta
mhuri yangu.

Chokwadi mai iya yakandidzosera kumashure


zvinobowa zvino nhasi ndezvipi kana Sifiso
wangu atorwa chete neumwe munhu
vanonondiguta mai vaya. Ndinoda
kunovaratidza kuti handiitirwi zvisina basa pana
Sifiso ndinofa nemunhu. Kana iye zvake anenge
angoda kuita mafun ekuda kutambira pana
Sifiso atoziva zvake kuti mukono nekuti
kunofiwa and kunorwiwa kubva makuseni
kusvika kwadoka.

Zvisinei ndakazongoti ndaizonozviona ndaveko


kuti chii chaitorera chimwe nzvimbo.

Musi uyu handina kurara kufunga nezvenyaya


yandaive ndadanirwa munongodziziva pfungwa
kuti hadzigadzikani kana dzisati dzanzwa kuti
zvakamira sei?
Kuchiedza handina kumbotora nguva nekuti
ndaive ndarara ndakatorongedza.
Ndakangomuka kugeza nekutoenda kunokwira
bhazi.

Ndakasviko mira paya bhazi ringauya zvaitoita


sezvaishura . Ndakamira paya dzinenge 3 hours
zvisati zvamboitika. Ummm moyo wangu
wakatanga kunyanya kurwadza kuti zvaimboda
kududzirei chaizvo

Dzakazoti nguva dzave kuma9 ndipo bhazi


rakazouya apa ndanga ndasvika pastation apa
na5:00am ummm anga ari ma1 angu veduwe.
Ndakakwira hangu ndokuenda asi moyo wangu
wainge uri muhovhoni chaimo.

Ndakazosika kumba kumazuva rodoka chaiko


asi pamba paive pakangoti ziii .

Zvakandinetsa kuti paiita fanika pasina vanhu


ko vanga vaendepi nekuti kwaive kotodoka.

Ndakasvika ndokutanga kuvhura dzimba dzese


asi handina wandakaona.
Haaaa ndakatanga kushungurudzika
zvakanyanya moyo wangu wakambofunga
kuenda panext door kunobvunza asi imwe
pfungwa yakanditi nanga kuchikoro kwana
Sifiso unobvunza ikoko.
Ndakaisa bag rangu muroom mangu
ndokupinda munzira kuenda kuchikoro kuya.

Ndakasviko wana vaSifiso vachiratidzawo kuti


vari kutosvika kuratidza kuti vane kwavaibva.

Pavakandiona havana kumboshamisika kuita


fanika vaive vagara vachiziva kuti ndiri kuuya.
Takakwazisana hedu paya nekubvunzana
upenyu. Ndakazobvunza kuti ndawana kumba
kusina vanhu hamuziviwo kuti vaendepi here.
Sifiso akatoratidza kushamiswa
nezvandaibvunza akati ko chii chaita kuti uuye
kana uchiti hauzive kwaenda vanhu.

Ndakamuudza kuti ndainge ndafonerwa zuro


namudhara vachiti pane nyaya yaida
kugadziriswa ndiko kusaka ndauya kudai.

Sifiso akaratidza kakushamisika maybe aifunga


kuti ndaiziva zvaitora nzvimbo.

Akazovhura door ndokupinda hedu mumba


ummmm ndofunga zvaiva zvikobvu chaizvo
zvaitadza vanhu kungondiudza panze ipapo.

Moyo wangu waive wave kure chaiko kunzwa


kupererwa kuti chii chaizvo chaimbove
chichitora nzvimbo.

Pachinzvimbo chekuti ndifare kuti ndainge


ndawana Sifiso wangu ari boe moyo wangu
waitorwadza chaiko kuita fanika pane zvinwe
zvinhu zvikuru zvandaive ndichazonzwa.

Ndakasviko gara hangu pastool ndakamirira


zvaitevera asi ndaivimba kuti rwaisava rufu
nekuti dai rwaive rufu ndingadai ndakawana
kumba kwedu kwakazara vanhu, zvino
kwaitovawo kusina vanhu. Maybe hamenowo
hama yepedyo yaive yawirwa nedambudziko
maybe ndiko kwanga kwaenda vana mudhara
namoms.

Ndaive ndagara hangu zvino ndasibata shaya


kupererwa chaiko ndangomirira zvaizotevera.

Me : Sifiso ndiudzei please kuti chii chiri


kutora nzvimbo mhama vangu nadaddy varipi
ndiudzeiwo veduwe moda ndiite sei?

Sifiso : Ndine hurombo Brian sekuru


vaTawe vakaita accident nezuro manheru
vakarova mombe,mota ikabuda muroad saka
time dzavakarova mombe ivo pachavo vakabva
vanorovera mberi nechest zvekuti vakakuvara
zvakanyanya vakakanganisika muchest mavo
saka izvozvi vanga vaendeswa kuchipatara asi
vatodaritswa vatakurwa neambulance
vaendeswa kuGweru general zvinhu hazvina
kumira mushe Brian but let's pray kuna Mwari
zvose zvinoita.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq
♣💔💔💔💔💔♣

Her own decision

By Linda aka Mai Peace

0616317489
Chapter 35

*Sifiso*

Takazoperekedza mbuya vaTawe ndokuenda


havo kunokwira bhazi vanga vave panguva
yakaoma zvino, nekuda kwakutadza kunzwisisa
kana vachitsiurwa.

Ndiyo yanga ichitova decision yavaive


vazvisarudzira vega saka presure zero.

Ini ndaive ndatovaregerera hangu pane zvese


zvavaive vandiita . Nguva dzandakangoisa
ruoko mubag dziya zvese zvaiitika ndaizviona
nekuisa kwese kwavakaita mushonga mubag
mangu zvakauya kumeso kwangu nguva iyoyo.
Asi kuti ndaitadza chete kuzvicontroler,
zvinenge zvichingokutuma chete kuti idai kuti
iwe uwane simba rekurega kuita zvinhu zvacho
unenge usina. Unenge uchingonzwa kuita
zvinenge zviripo panguva yacho zvinenge
zvichiita fanika zvinokusunda kuita zvaunenge
usingadi. Ndiko kusaka muchinzwa kuti munhu
kana achinge oda kufa anoziva munhu
amuuraya nekuti pavision pacho unotoona
chero kuti munhu akugan'ira ndiani asi kuti
nguva yacho zvinenge zvichikusunda kuita
zvazvinoda. Chero pavakanditora vakaenda
neni paya kusango ndakavaona zvangu asi kuti
unenge une chinokutinha kutevedzera chete
zvinenge zviripo. Chero dai kuri kufa
ndaitozoziva kuti ndaurawa nambuya vaTawe.
Asi zvino pakazopera kupenga ndaive
ndozvitongesa kuti zvinhu zvazviri kundidai
zvichaperawo here mukurarama kwangu riini
uye sei? And ndaizvipa mhosva ini kuti ndini
ndainge ndakauya mumusha mevanhu saka
ndaisafanira kuvhiringidza vanhu vandakawana
vakazvigarira boe.

Ndanga ndaomerwa handidi hangu


kukunyeperai asi chakangozondifadza kuuya
kwavamwene vangu kuzokumbira ruregerero.
Hongu kungwara kwese kwanga kwapera vaive
vazozviona vega kuti vanga vaita
kuzvimoneredza vega netambo yavo yavaida
kusungisa ini zvino Mwari vakazviramba vakati
chivi kumuridzi wacho. Hongu chero zvazvo
ndainge ndiri ini ndakauya mumusha mavo
vaifanirawo kunditora semwana wavo mhosva
ndinozvipa asi nemiwo vana vamwene dzidzai
kuve nerudo nevaroora venyu.

Kunyangwe mwana wako asingadi asi


ngatidzidze kuchanesa mazita edu nekuita
zvakanaka, tisazvizodza madhaka anozofuma
otinyadzisa ramangwana.

Hongu zvaive zvakanaka fani kuti mbuya


vaTawe vafe zvavo nemabasa avo asi kwaisava
kuda kwangu kutonga ndekwaMwari. Ivo chaivo
baba kudenga vanotaura kuti regererai
vanokutadzirai saka ini ndaifanira
kusavaregerera ndakamira sani. Ko iyesu
pachedu zvingani zvatinovatadzira Mwari asi
vanotiregerera ndokuzoti ini Sifiso zvangu ndoti
ngavafe chaiko aaaaa kuti ndatove satan here
nekuti ndiye anofarira kufa kwemunhu.
Ndakafara nekutendeuka kwaive kwaita mbuya
vaTawe nekuti wega wainyatsona kuchinja
pachiso uye kurevesa pane zvese zvavaitaura.

Pavakabuda kuenda moyo wangu wakasara


uchirwadza zvekuti ndakatoona kuti mai iyi
ikafa ropa rayo rinotongwa pamusoro peupenyu
hwangu.

Ko ndikoka kunamata kwacho ko


tinozvinetserei nekuenda hedu kuchurch kana
tichitadza kuregerera vanotitadzira. Kana une
moyo wekusaregerera ziva kuti uri kuzvipedzera
nguva yako hapana kwauri kuenda uri
kungotenderara panzvimbo imwe chete kana
kuchurch rega hako kuenda nekuti uri
kunosvibisa tembere yaMwari nemoyo wako
mukukutu.
Ndakazobudawo kuvatevera kuti
ndinovanyengetedza vadzoke vasiye pfungwa
yaive yakavagara yerufu and chero dai vaifa
zvaingova pachena kuti ndini ndaive ndauya
nemhirizhonga mumusha mevanhu. Saka
ndaifanira kuchenesa zita rangu pamberi
paMwari. Hanzi ngatiitei zvakana kuitira Mwari
vedu kwete kuda kuzvipa mbiri pavanhu. Ziva
kuti munhu chaanogona kutarisa zvakashata
zvawaita asi ukaita chanaka ahataura ingoita
kamistake kekukanganisa chero kunyora zvako
uwone kuti vanotaura sei zvese nekuseka. Asi
zvakanaka chaizvo havagone kuzvirumbidza
uye kuzvipupura. Saka ngatizivei kuti tiri
kutamba nenguva kana tichienda kuchurch
nemoyo yakadaro.

Kana nemi varoora vana handinzerwo siyai


katsika ikako nekuti imi ndimi makauya
mumusha mevanhu. Ukagona kuzvipeta
nekuzvirereka ichasvika chete nguva yaMwari
yekuti kuvengwa kunopinduka kukava kudiwa
asi izvi zvinoitika chete kana iwe wagona
kuzvidzora nekuzvirereka mukati memusha
wevanhu . Ngatibvisei kukakavara kusina basa
tive nekuteerera uye kunzwisisa kugamuchira
zvese zvakashata zvatinosangana nazvo nekuti
hatisi isu tinotonga mutongo waMwari uriko
mberi kweanoita chisakarurama nguva
yekunyadziswa kwake inosvika chete.

Ukave nemoyo dombo chenjera kuzofa wave


iwe nekuti denga harina manyanisi muipi
akangozvidzora uye kuzvininipisa Mwari
vanobva vangomuregerera nguva iyoyo. Zvino
iwe unenge watonga kuti ngavafe chaiko nekuti
vaindishungurudza iye Mwari obva
angovaregera nekuti vanenge vazvinipisa uye
nekuveresa pamberi pake. Zvino anosara
nemhosva apa ndiani. Dai tiri vanhu kwavo
tatsvaga Mwari mupenyu nenguva tirege kuve
vana ndamba kuudzwa idi tinodzisiya dzimba
dzedu tichadzida sambuya vaTawe. Inyaya
chete yekusatsiurika uye kushaya Mwari
mumoyo mako mavo. Zvino ngatichitarisai kuti
mbuya vaTawe zvavati vainyengedzwa nasatan
vachachinja here vakagonawo kushandira
Mwari wavo nemoyo wese.

Pandakavatevera vaisada kana kudzokera


kumashure vanga vatoronga vapedza saka
vaida kufa nekuti ndanga ndavaregerera here
zvaisaitaka kana munhu wabvuma matadzo
ako ochirarama tione kuti wanga uchirevesa
here uye wasiya mabasa ako zvechokwadi here?

Ipapo Mwari ngavatibatsire tisiye kuve


vanyengedzi mberi kweuso hwavo.
Takazorwisana navo mbuya vaTawe kusvika
vanzwisisa , taive tobatsirana kuvadzora
namhamha vandaigara navo kusvika vabvuma
kuzorara. Vakazofumoenda havo asi vakaitirwa
muteuro wekuti vanogamuchirwa nehama
dzavo.Vachangobuda kuenda ndipo pakasvika
shoko rekuti sekuru vaTawe vakakuvara zuro
manheru vachibva kuno kunyaka nyaka dziya.

Haaa zvanga zvandiwana zvino regai vakuru


vakati kunaka kwechimwe kuipa kwechimwe.
Ini ndiri kufara kuti gogo vaTawe vasiya mabasa
avo ndipo posvikazve shoko rekukuvara
kasekuru vaTawe ndiudzeiwo kuti ndinozvigona
sei ?

Takatogadzira kumhanya kuchipatara kuya


zvinhu zvacho anga ari ma1 chaiwo.
Kwaive chinhambwe saka munongozivawo
kufamba netsoka kuti zvinhu zvaakaoma sei?

Moyo wangu wairwadza handidi kunyepa nzira


yese ndaingonamata kukumbirira sekuru
vaTawe chipo chehupenyu ndiudzeiwo kuti
Mwari vakatonga ndinorarama sei? Hupenyu
hwangu hunenge hwaoma handidi kunyepa
ndiani angazondichengeta hake ummmm
Mwari ratidzaiwo simba renyu shuwa.

Zvairwadza kani takazosvika hedu nguva


dzatofamba ndokusviko pinda muward maive
nasekuru vemwana wangu ummmmm zvanga
zvazosvika pakuoma chaiko. Sekuru vaTawe
vanga vari panguva yakaoma kani handigoni
hangu kutsanangura zvavaive nekuti misodzi
ndiyo yakatotanga kuchururuka panga pasina
chekutaura nekuti wekutaura naye paive pasina
sekuru vaTawe vanga vari panguva yakaoma
kuti nditi vaive vakafa kana kuti vapenyu
zvakandinetsa kungoti handisati ndamboona
hangu munhu akafa . Dai ndaive
ndakambomuona ndaizoti pamwe ivo kwaitova
kufa chaiko nekuti zvavaive zvainzwisika. Mai
Tine pavakangoona chete kuti nurse aivemo
abuda kutisiyamo ndipo vakati chance given.
Pasina nguva ndakaona vatoturika ruoko
pamusro pasekuru vaTawe kuvanamatira.
Vachipedza vakabva vavanwisa mvura
yemunamato asi hazvina kubatsira nekuti
vaisashamira mvura yacho yakangoerera
ichitodonha zvayo. Vakakazoti tiite
zvekuvashamisa muromo tidire mukanwa
chaimo imwe vakazovakusha muviri wese
vakataura kuti vakaramba vari pachipatara pano
vaigona kurasikirwa neupenyu hwavo nekuti
zvinhu zvanga zvisina kuvamirira mushe. Uye
vakati munato wavaive vavakusha waizobatsira
kuti vachinjwe chipatara vaendeswe
kuzvipatara zvihombe nekukasika.

Zvinoita kubata kwaMwari nguva iyoyo


kwakabva kwatongopindawo umwe doctor
akasviko vatarisa tarisa ndokutora macard avo
ndokutanga kunyora nyora. Ipapo takaona
oburitsa phone yake ndokutotanga kufonera
kuti kuunzwe ambulance ivaendese kuGweru
general. Pasina kana nguva ambulance yanga
yatosvika , vakavatora ndokuvaisa
muambulance muya vakazobvunza kuti isu
taive vana ani tikataura vakataura kuti taifanira
kuudza mukadzi wavo kana mwana wavo
ozotevera Gweru kuzovatarisa nekuti zvinhu
zvanga zvisina kumira mushe.

Sezvo ndaive ndasiya phone kumba pfungwa


yakatanga kuuya mumusoro mangu
ndeyekufonera Brian nekuti hapana
chaaitomboziva nezvenyaya iyi. Ndaifanira kuti
ndichingosvika kumba ndobva
ndatongomubata panhare.

Isu hatinawo kuzosara togara pavakangoendwa


navo takatopindawo munzira kudzokera kumba.

Takasvika hedu kwave kutodoka ko


kwaimbofambwaka kwaive kure kuchipatara
kwacho.
Tichiri kuvhura door Brian ndiye pfacha pfacha
kusvika. Ndakatofunga kuti maybe pane aive
amufonera achimuudza asi aitovewo asinawo
chaaiziva nezvekukuvara kwababa vake. Asi
kuti akataura kuti ndivo vaive vatomudana
aisatoziva nechavaive vamudaidzira. Mumoyo
mangu ndakangoziva kuti kuda vaida
kuzomuudza nyaya yamhama vake. Satan akati
munonyepa imi hakuna zvakadaro ndofunga
aitoda kuti vafire pasport nekuti ummmm
zvaityisa kani zvavaive.

Ndakazotanga kurondedzera Brian zvaive


zvaitika misodzi yangu yaitoda kubuda asi
ndaitozvishingisa kuitira kuti Brian aigona
kuzorohwa nehana aifanira kutosimba panguva
iyi nekuti ndiye aifanira kutove pana baba vake
sezvo Mai vake vaive vaenda kumusha kwavo

Pandakapedza kumuudza akamboda


kubatikana zvakanyanya zvekuti takatozopinda
busy kumunyaradza namhama vaya.

Panga pasisina nguva yekuti acheme asi nguva


yaivepo ndeyekutonamata kukumbira musiki
kuti arerutse zvinhu.
Akazobvunza kuti saka mhamha ndivo
vakaenda Daddy here kuGwwru kwacho?

Ndakatoona kuti paisave nechekuvanza asi kuti


kutongomuudza kuti mhamha vake vakaenda
kumusha kwavo asi ndaisada kumuudza
zvakawanda aizozvinzwawo nevamwe vanhu
kwete ini.

Akatomboda kubvunzisisa kuti ko vakaenda


nekuda kwei ndakangomuti handiziviwo ini.
Zvaitoda ivo mhamha vake kana umwe munhu
kumuudza nezvenyaya yacho asi dai daddy
vake vasina kukuvara vaizomuudza handiti
ndizvo vaive vamudeedzera here?
Takazooenda tese kumba kwavo kunotora
hembe dzake nekuti aizomukira kukwira bhazi
kutevera Gweru. Saka zvanga zvisingaiti kuti
anorara kumba kwavo ega aitoda pane vamwe
kuti vapote vachimurivadza. Munongozivawo
kuti munhu akaita dambudziko anenge achitori
pama1 chaipo.

Takasvika kumba kuya kwavo


ndokutomubatsira kurongedza zvese zvaaida
kuzoshandisa parwendo rwake.

Akatora mari yakati wandei nekuti


ndakamuudza kuti zviripo zvaigona kuzonoda
mari mberi saka aifanira kufamba nemari
yakakwana. Semunhu aiziva paigara mari
mumba mavo hazvina kumunetsa.
Takazodzoka hedu kumba kwedu ndokurara asi
takatanga tanamata tichikumbirira murwere
wedu. Chifumi chamangwana mhamha
vakatimutsa kuchakati ooo kusviba ndokutanga
tanamata ndipo vakazoeresa Brian kuitira
rwendo kuti rureruke nekuzomupa munamato
yaaizonoshandisa kumberi kuna baba.

Ahanawo kuzoda kupedza nguva akabva atoti


ndave kuenda asi zvaive zvekushinga chete
semunhu wemurume . Ainyatsoonekwa kuti
moyo wake wanga usiri panzvimbo aive
nekurwadziwa kukuru. Kuchikoro kwavo
akafonera head vake kuvaudza dambudziko
raaive asangana naro. Vakaratidza kurwadziwa
asi vakangomusimbisawo pafon paya vakati
zvinowanikwa ngatinamatirei chipo cheupenyu
chete Mwari vanotikundisa. Ndakatotendawo
mashoko ahead ava nekuti aive neudzamu uye
aiwedzera kushingisa pakunyengetera.
Ndakamuperekedza ndokunomusiya akwira asi
akataura kuti ndikanoona zvisina kundimirira
mushe Mai Tawe ndichakutumira mari
wotevera nekuti zvimwe zvinoda tichionesana
uye kubatsirana pamunamato. Uye
ndichafonera mhama mouya mese handiti
ndakasiya vave kukufambira here mai Tawe
ndinoona sekuti uchirega kufunga zvakaitika
kare ngatibatanei fanika ipapa pave kutoda
kubatana uye kuisa musoro pamwechete
tichionesana nekubatsirana.

Ndakamuti pakanaka Brian chero aive asati


anzwa hake zvakazosara zvikaita mom's vake
ndaifanira kutobvumirana naye nekuti
zvechokwadi tainge takazoyanana
zvemachokwadi kwete zvakare zviya zvavaida
kuwana kuita mabasa avo.
Aireva hake chokwadi nekuti kana uri muridzi
wedambudziko pfungwa dzinombotiza
sakazvinenge zvichitoda umwe munhu pedyo
anokubatsira nemazano.

Kwanga kwatombove kudzokera kumashure


panyaya dzechikoro but paisava nechekuzviita
ndizvo zvinenge zvadiwa namusiki.

*Baba Pamela*

Sezvo paive pave nehurongwa hwekuti Sifiso


anotorwa ndakazongomuka bata jongwe
muromo ndakananga kumaraini kwatezvara
vake. Ndaida kutanga ndataura navo kuti ndizvo
zvanga zvataurwa nevabereki vake sezvo
zvainge zvichizikanwa nenyika yese kuti anga
ambopengesiwa. Hameno kuti vaizozvitora sei
asi ndizvo zvaive zvavapo.

Ndakasvika pamba pavo kuchikuseni ndaida


kuvabata vasati vaenda kuchikoro kwavo.
Kutoti vepano wanikwe hapana kana arikudaira
zvakatondinetsa kuti ko vanhu vanga
vamukirepi nekuseni kwakadaro.

Ndakazotarisa ndokuona madoor ese


akavharwa ndipo ndakabata shuwa kuti painge
pasina vanhu.
Ndakapererwa chaiko ndokuzoenda panext
door kunobvunza kuti ko vanga vamukirepi
vepano.

Ndakasviko udzwa zvakandirovesa nehana inga


musha wanga uri wemashiripiti chete uyu kuti
vanhu ava havana kuromba ko chiii chiri
kukonzera kuti zvidai? Kuchibva zvimwe
kopinda zvimwe zuro ndizuro mukadzi wavo
anga opengesa chikoro chese nhasi ivo vaita
accident ummmmm. Zvinhu zvavo vanhu ava
zvinenge zvoda ropa chete ndozvakaipira
kuromba izvozvo. Ndakazosiyana nepfungwa
iyoyo nekuti ndaive ndisina chokwadi nazvo ko
handiti hanzi kufungira munhu ipfumo kuna
Mwari. Ko ndaivapo here pavairomba pacho ko
ndikanzi tiudze zvizere ndinotii zvangu kkkk
dzimwe pfungwa hadzisi dzekutevedzera
dzichida kukuitisa murevi wenhema.
Ndakazongoona kuti kutoenda kuchikoro
kwaigara Sifiso wacho better ndonomuudza
zvaive zvataurwa nevabereki vake. Ndaifanira
kutomutora nhasi ndobva ndaenda naye kumba
kwavo ko handiti vanhu vacho vagara havamudi
here saka ahamborambi.

Ndakasvika pachikoro paya ndokubvunza


hangu ko ndaisazivaka kuti Sifiso aigara papi.

Ndakaratidzwa imba yaaigara nekutonanga


ikoko. Ndakasviko gugudza ndokubuda vamwe
mai vanenge vechikuru mbichana.
Ndokuvakwazisa nekutovabvunza munhu
wandaitsvaka .
Pachinzvimbo chekuti vandiratidze paanogara
vave kutondibvunza bvunza zvimibvunzo kuita
fanika mupurisa ari pabasa arikutora statement
kumusungwa. Ini hezvo ko ndizvo ndafambira
here kuti muzonditongesa ndiudzei
zvandabvunza kana musiri kuziva mongotaura
pasina nguva ndakaona Sifiso obuda atopfeka
kuti aende kuchikoro.

Akabva angondikwazisa nekutotangawo


kutaura kuti baba Pamela ndivo mai
vandinogara navo ava saka kana ndakavatarisa
ndinotoona vari ivo mai vangu , vakandikoshera
Mai ivava. Saka kana pane zvavabvunza manga
muchifanira kupindura zvavakubvunzai kwete
kuda kuvaitira hasha. Mazuvano kwashata
hazvigoni kuti vangoti Sifiso uri kudiwa kuno
vasati vaziva munhu wacho arikundida kuti
ndiani uye kuti akamira sei?
Otherwise makadii zvenyu baba Pame vakadii
vamwe kumba.

Ko vapfanha vangu vanofara here ko madiiwo


mauya chero ne1 zvake ndambozomuonawo.

Mhamha ava vanonzi baba Pame ndivo


varikuchengeta vana zvose nemusha ndivozve
vanomira sevabereki vangu nekuti ndiro ziso
ravo and vanonzwanana nevabereki vangu
zvakanyanya.

Vakomana Sifiso zvaainge achinja nhaimi


ndiudzeiwo mibvunzo yaanga andibvunza apa
asina kana kumbondipa chance yekupinduro
atove kumaintro kare kana ndimiwo
munopaona sei?

Ndakazongoita zvindi zvekutaura zvandaive


ndafambira ko ndikaita zvekutamba ndakaona
kuti Sifiso wacho aitori kumberi chaiko. Agoti
kusimba uye kukura ndanga ndatonushaya ini.
Zvaingoratidza kuchengeteka tsaona
yekupengeswa yakaitika hayo asi ummmm
aichengeteka mwana uyu handidi kunyepa and
aive ndaganda remvura.
Ndakatombonanzvira zvimate ndakamutarisa ,
zvisinei ndakazotaura zvandaive ndatumwa
nevabereki vake.

Me :. Sifiso nemi mhamha vake muchiona


ndauya pano handina kungouya badzi asi kuti
ndatumwa nevabereki vako Sifiso.
Takavafonera nenyaya yakaitika yekupengeswa
kwako kwawakaitwa zuro, saka vakati
ndizomutora adzokere anogara kumba.

Ndaive ndamirira hangu mhinduro yake Sifiso


asi paisada kupikisana apa paingoda chete kuti
arongedze hembe dzake tirove pasi.

END of chapter

Ndatinzwei muchitsauko chemberi kuti Sifiso


akabvuma here kuenda achisiya tezvara vake
vari panguva yakaoma kudaro.
*Ndokudai mese vatsigiri vezvinyorwa zvangu
😘😘 *

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq

Her own decision

♣💔💔💔♣
Story by Linda aka Mai Peace

📞📞 0616317489

Chapter 36

*Brian*

Ndakakwira zvangu bhazi paya asi moyo wangu


waisave panzwimbo.
Ndanga ndave kuzvidya moyo nekufunga. Ko
ivo mhama vanga vakaenda kwavo kunoitei ko
chakatadzisa kuti vauye sezvo mudhara
vakuvara chiii, ko vakamboenda riinhi kumusha
kwavo. Yese mibvunzo iyi yakashaya mhinduro ,
yaive yangove fungira mumoyo rwendo
rwembwa.

Ndakanga ndangotora bhazi reinanga Gweru


saka kuma 11:00 am ndanga ndatosika pa
Gweru Genaral hospital .

Ndakasviko bvunza ward yaive nemudhara


wangu ndokuudzwa hazvina hazvo
kumbondinetsa kuvawana
Ndichisvika pavaive ndakarohwa nehana
veduwe baba vangu vanga vari pakoma chaipo
ungaziva here kuti ndivo head vaya vekuchena.
Apa vaive vakatovhura ziso kuita fanika munhu
akatofa zvake kare ummmm apa paisave
nechiedza . Ndakasviko gara pachair yaive
pedyo nebed ravo apa vaisafema vaitobatsirwa
kufena neoxygine haaa zvaisirisa chokwadi
ndakashaya kuziva kuti chii chaida kutorera
chimwe nzvimbo chaizvo.

Ndakachema kwenguva refu ndakatsikitsira


kudaro pakazopinda umwe nurse aive auya
kuzovarapa ndipo ndakamubvunza kuti baba
vangu vanomuka here?

Akapindura hake zvinyoronyoro ndokuti. "Izvi


zvinogona kuitwa naMwari chete ndiye anoziva
kuti pachine upenyu here kana kuti hapachina.
Isu chedu kuita basa redu chete."

Wotoshinga kunamatira baba vako zijaya nekuti


zvavari izvi kashoma kurarama kunze kana
mwari vapindira.

Haaa mashoko anurse uyu anga akaoma


chokwadi zvaingova pachena kuti daddy vangu
vanogona kungofa chero nguva. Pakataura
nurse vaya zvekushinga kunamata ndakabva
ndangoyeuka munamato yandaive ndapihwa
namai Tine.
Ndakazomirira hangu kuti nurse vaye vabude
ndigoshandisa minamato yacho. Kazhinji
muzvipatara avadi vanhu vanoshandisa miteuro
unotoita zvekushandisa usingaonekwa hameno
kuti vanozvirambirei but muteuro chinhu
chakangonaka.
Pakangobuda nurse vaya vapedza basa ravo
ndakabvawo ndatotora minamato yangu
ndokutoishandisa nemazvo semaudzirwo
andaive ndaitwa. Ndaive ndanzi katatu pazuva
kuseni, masikati nemanheru ndichikusha
nekuvanwisa.
Pakunwisa ndipo paitove nebasa manje
vaisagona kana kushama muromo
ndaitongoitawo zvekudira mukanwa but
ndaitovadira zvishomanana kuutira kuti
vasanyorova nekuti imwe mvura yaidzoka ko
paive neaimedza here munongonzwa veduwe.
Izvi zvaisada ini ndega asi zvaida kuti ndiwane
umwe wekuonesana naye zvaivepo.

Ndakazofunga hangu kufonera mhama


ndichinzwa kuti vaiziva here kuti mudhara
vakakuvara uye vari muchipatara. Vakadaira
havo fon and vaitaridza kuti havana chavaiziva
nekuti vaitozvifarira havo.

Ndakazovaudza nezvekukuvara kwamudhara


uye kuti zvinhu zvanga zvisina kumira mushe.

Vakaratidza kubatikana zvakanyanya and


vaisatoziva kuti mudhara vakakuvara.

Asi chakandinetsa avana kumbotaura kuti


vaizouya kuchipatara kuzovaona.

Ndakatangazve kubatanidza pfungwa kuti


kandi zvaimbofamba sei?
Ini ndaive ndisinaka kuvabvubza ndichiti
vakangonzwa shoko rekuti mudhara akakuvara
vaibva vangotaura kuti ndinouya kuzovaona
uye kubvunza kuti vari kuchipatara kupi kuitira
kuti vagoziva kwekunanga.
Ndakaona pasina mhinduro yakadero
ndokuvabvunza kuti munouya riinhi mhama?

Ipapo vakaratidza kumbotsenga mukanwa


zvekuti ndega ndakaziva kuti kuve kwamhamha
kumusha kwavo pane nyaya chete asi
wekundiudza nyaya yacho ndiye panga pasina.
Ivo pachavo mhamha kamuitiro kavaiita
kairatidza kuti kutaura vanoda asi zvaiita fanika
nyaya yacho isingatauriki.
Ummmm ndakatongozoona kuti better
kusiyana nazvo nekuti zvinhu zvaingova
pachena kuti vakakonana pamwe zvaive
zvemubedroom mavo saka zvaisataurika
kwandiri.
Zuva rave kuda kunodoka ndakazofunga manje
nyaya yepekunorara nekuti muchipatara
maisararwamo. Ndakatora phone yangu
ndokufonera friend yangu yaive mugweru
imomo bmndichimuudza zvaivepo.

Akaratidza kundirwadzirwa uye akati aizosvika


panguva shoma yaitevera. Pasinawo 30
minutes anga asvika ndokuona mudhara
ummmmm maitiro aakaita akabva angoita kuti
neniwo ndinyanya kutya.

Akazonditora ndokunorara kumba kwake, zvose


zvaiva boe anga asati aroora hake asi aive
nekalife kake kari boe zvokuti.

Takarara hedu asi nguva dzaakagadzira kudya


kwemanheru ini rakatadza kudyika sadza racho.
Ndaive panguva yakaoma veduwe ,nekuda
kwababa vangu ndiye munhu wandairaramira
uye aiita kuti ndirarame kwacho.
Kuoma kweupenyu ndokuziva but zvangu
zvanga zvakanyanya.

Akambozama kuda kunditaudza asi dzimwe


nguva ndaisatopindura nekuti ndinenge ndisina
kunzwa kuti atii pfungwa dzaisave panzvimbo.

Kuvapo kwefreind yangu kwakandibatsira


aienda neni kuchipatara onondisiyako odzoka
manheru kuzonditora achingodaro. Nguva dziya
dzekuona varwere kana dzadarika ndaienda
hangu panze ndonogara ndakamirirazve kuti
kana dzakwanazve dzekuona varwere ndopinda.

Sifiso aifona nguva dzese kubvunza tezvara


vake and aindisimbisa uye kuita munamato
pafon ipapa. Kazhinji kana iri minamato vaibva
vatoita vese namai vaya vaaigara navo. Kana
mhama vangu vaifonawo nguva nenguva asi
vaingotaura ndinoda kuuya kuzoona baba vako
mwanangu asi nenyaya yakaitika ndinoshaya
pekutangira.

Ummmm yaimbove yei nyaya yacho chaizvo


yaibva vatadza kuzoona murwere aive panguva
yakaoma kudaro.

Ndakazovati kandi inombove nyaya yei iyoyo


yamunotadza kutaura kwandiri mwana wenyu
chero makauraya munhu taurai kuda kana
makabatwa henyu nechikomba haaa izvo
chokwadi hamungandiudzi.

Vakazonditi iti Mai Tawe akuudze nyaya yacho


mwanangu hope uchandiregererawo kutadza
kunowanikwa muvanhu asi ndakapfidza now
ndave kunamata.

Zvakandinetsawo kuti kambe inyaya yei inonzi


ndivaregerere ? Ko iye Mai Tawe akaregerei
kundiudza nyaya yacho. Sifiso ndizvo
anonetsera zvekungokeeper zvimascret
nezvimwe zvinozomupinza pama1 mangwana.
Aifanira kundiudza nyaya yacho ndisina
kumbobvunza ko nemhaka yei asina kutaura.
Ndaive ndotowedzera kuzvitemesa nemusoro
waive wagara uchizvitemera hawo.

Ndakazongosiyana nenyaya yacho nguva


yandaive yaisada zvinonditemesa musoro
ndaifanira kumboita zveurwere hwadaddy
vangu. Apa ndaifanira kutomira semukono
nekuti hama chaidzo taive tisina.Vataitoverenga
kuti ndivo hama dzedu ndevekumusha
kwamhamha zvino zvinhu zvacho zvanga
zvakaita manyama amire nerongo saka panga
pakatongoomera ini.

Kunonzi daddy vangu vakazvarwa namai vavo


vachingori 1 apa munhu akamitisa mai vavo
akabva ajamuka nhumbu iya havana
kuzombofa vamuona zvakare asi lucky rakaitika
ipapo mhamha vacho vaiziva mutupo zvese
nesurname yamurume wacho.
Asi vakazama kumutsvaka vakamushaya
kusvika vazongosiyanawo nazvo apa havana
kuzoita umwe mwana futi vakazongofawo
daddy vatokura. Ivo mai vamai vababa vangawo
vangoita mwana 1 vanova mbuya vedu ivavo
vakazozvara baba vangu. Saka zvinhu zvacho
anga achitove ma1 chaiwo paisava newawaiti
wangu. Ndaitotemba kuti hama dzangu
ndidaddy naTawedzerwa mwana wangu. Ndiko
kusaka daddy vaisada naye vaiziva kuti
atiwedzera kana zita racho ravakamupa
rinongodudza rega.

Mazuva akafamba ndofunga kuti 2weeks


dzakasvika mudhara vachingove vakadaro asi
handina kuora moyo ndaingovepo chete
ndakamira navo.
Kana kuri kufa kana kurarama zvaizoita
ndakamira nababa vangu ko ndipo pakati
kuberekwaka hapana zvandaigona kuita asi dai
hanzvadzi yangu yaivepo pamwe tingadai
taibatsirana kuonga urwere hwababa vedu

Pfungwa yekuti Sifiso auye yakanga yamboda


kunditi batei paweek rekutanga chairo asi
ndakaona kuti zvaisaita kuremedza hangu
mwana wevaridzi.

And ndakazomubvunza nyaya yamhama


akaramba kutaura ndaizviva zvangu kuti kana
ina iye mukati Sifiso aisataura ndaimuziva kuti
aisada zvinorwisanisa kana zvinovenganisa.

Ipapo aive akasikwa hake zvakanaka nekuti


ukaona uri munhu kadzi uchingoti kanyaya
kaitika womhanya nako ziva kuti uri mhutse
ahugoni kuvaka. Dzimwe nyaya hadzidi kungoti
kungonzwai wotomhanya rimwe zuva vanhu
vanotemana nematemo nekuda kwako. Vanhu
kadzi ngatidzidzei kutsungirira uye kuve nehana
inosefa zvekutaura kwete kuva mukutidziri
wemoto ukaona panokonana vanhu iwe dzidza
kuyananisa kwete kubva wakuchidzira kuti
moto ubvirise , ivai vayananisi kwete
vakuchidziri kana kuti vaputsi vana tinhira
dzirwe aiwa siyai tsika yakadero mufambidzane
naMwari.

Mazuva aifamba asi paive pasina chaichinja


pana mudhara munamato ndaishandisa
everyday. Apa dzainge dzave 3weeks varimo
muchipatara muya. Ini ndaingewo ndawana
hama yangu friend yangu iya , chokwadi aive
akamira neni panezvese.
*Mbuya vaTawe*

Upenyu hwangu hwanga hoendaka haho


handidi kunyepa. Upenyu huna Mwari mukati
hunemanyawi uye hunenge kudada chaiko.

Ndaive ndangomirira baba Brian kuti vaunze


zvinhu zvangu kana kuti vatume shoko kuti
ndizotora asi handina kana kumbobvira
ndatambira shoko racho kana kuvaona
vachisvika nemidziyo yangu. Ndaive zvino
ndotopinza vanhu basa nekuti ndainge
ndangoenda ndisina kana hembe
dzekunochinja.
Asi ndinotenda hangu Mwari nekuti varoora
vacho vaitoita kundirwidzana chaiko. Ndaipota
ndichichinjanisa kuenda kwese ko ndaizodii
ndaifanira kutoenzanisa kuti ndirege
kuvenganisa varoora.

Ndakazofara umwe musi Brian achindifonera


ndaive ndamusuwa mwana wangu ndaifunga
kuti akanzwa zvandaive ndaita aigona
kuzondiramba nekuda kwemabasa
anonyadzisa andaive ndaita.

Ndakati chero zvake afona achida kubvunza


nezvenyaya yacho anga ari right ipapo chero
akandituka handimbotsamwi nekuti ndini
ndakakanganisa. Zvandakaita zvinonyadzisa
mwana wangu. Ndaive ndasvika panguva
yekugamuchira zvese panguva iyi ndaitove
ndave nemoyo wakapwanyika kuita
sewemwana mudiki. Ndizvo zvandanga
ndasarudza kurarama mazviri. Ndaisada zvinhu
zvaizondiparadzanisa naMwari vangu nekuti
ndanga ndasiya zvose zvenyika nemoyo wangu
wese. Hameno aizosara akandibatira chigumbu
ndiye aitozotadza kuyanana naMwari wake ini
kuside kwangu waitova muchechetere chaiyo.

Ndakazodaira call yaBrian paya asi


zvaakataura zva kandirovesa nehana. Ko chii
chaizvo chaive chaitika kuna sekuru vaTawe.

Hongu tanga taparadzaniswa nemabasa angu


but ndaisafanira kuvashuvira zvakashata. Ini
ndini ndaitovatadzira nekuti ndaitadza
kungovateerera zvinhu zvaingova nyore. Asi
panguva yacho zvaitoita sezvakaoma inyaya
yekuti satan kana akakugara uye achida
kukushandisa unoona zvinhu zvakanaka
sezvakashata. Ndiko kuita kwasatan
pangwarirei ipapo nekuti chinozokusiya kana
chaona wave panguva yakaoma
sezvachakandita. Chakazondisiya chaona kuti
ndaputsa musha wangu ndega nemaoko angu
regai vachizoti satan chine mazono chokwadi
ini ndini umwe wacho azozviona.

Ndakarwadziwa handidi kunyepa uku


ndakashaya kuti mwana wangu zvino
ndomuudza kutii .

Ndakashaya kuti ko vanhu vakadii kumuudzawo


nezvenyaya yacho nekuti ini ndakatoshaya
pekutangira. Ndakazongomuudza kuti audzwe
namai Tawe zvaive zvaitika kusvika ndive kuno
kumusha kwangu.

Hameno akamugona kuti amuudza Mai Tawe


wacho nekuti ndinomuziva asingatauri chinhu
ini. Fungai pese pandaimushungurudza paya
ahana kana zuva rimwe raakamboudza munhu
kana kundirevera zvake kune umwe munhu.
Ummmm mwana uya ndamutya ini kana denga
anoripinda achimhanya chaiko.

Ko iko kumupengesa kwandakaita kana


kumbozvitsvaka kubva atongondiregerera ipapo
ipapo.

Ndakazongosimbisawo mwana wangu kuti


otongosimba kuvonga urwere hwababa vake
nekuti iniwo ndaive ndisina zvekuzviita.

*Sifiso*
Pandakabva kuperekedza Brian ndipo
ndakadzoka ndichisanganidzana nemiyedzo
yaikambaira chaiyo. Ndiyo miedzo yandaida
yakadai yaisambondinetsa kana nepadiki pese.
Ko zvinganiko zvandaikunda zvimwe zvaive
zvakaoma asi ndaikunda chete.

Ndokuzoti munhu ouya hake achiti pwetere


pwetere ndibvigwe zvangu nekwandaive ndabva
nasekuru vaTawe .

Nemoyo wavo wavanga vachindiitira kuva


muchipatara inyaya yangu dai ndisina
kumbobvira ndauya mumusha mavo pangadei
pasina zvose izvozvo.

Chero ndiri benzi ndotofara kurongedza mabag


nekuti vabereki vangu vanditi ndidzoke kumba.

Ndinotobuda mumaoko asekuru vaTawe kana


ivo vari ivo vati handichakwanisi kukucheta. Asi
nyangwe vakandidaro pavari handibudi
zvekumhanya ndinotoita hwaRute navamwene
vake. Haaa ngavakanganwe zvavo haiwa
zvishoma izvo zvekupengeswa
hazvimboshamisi izvi vamwe vanopengeswa
wani vachitova pavabereki vavo zvikangova
pasi.Nasekuru vaTawe panotoda rufu chairwo
ndirwo runogona kundibvisa mumaoko avo.

Kana ndakavatarisa ndinenge ndichitoona baba


vangu mai vangu sekuru vangu zvose nambuya
vangu pamwechete nezvangu zvese saka vanhu
ngavandirege havo ndakadai ndakatokwana
kana ndiri mumusha masekuru vemwana
wangu vanondiitira rudo rwakatadziwa kana
nani zvake.

Kana vari sababa vaPame ndakangovaudza


rimwechete nekutobva pavaive vanhu vanoda
kundibvisa pana Mwari haikona vaivepi nguva
yese ndichitambura now ndave kuti
ndazvigarikira ndipo voti kwesva kwesva vachiti
tauya kuzokutora nxaaaa ndabowekana
zvisingamboiti.

Ndakavaudza kuti kana mazogara dzidzai


kusatambisa tsoka dzenyu muchiti mauya
kuzonditora handina kwandinoinda nyangwe
zvidii dzokerai mugara semugariro wenyu vana
mhama munongovaudza pachena kuti Sifiso
aramba .

Vakatomboda kuti pano nepano ndikavaudza


kuti mukupedza nguva regai kuita
semunondishurira rangarirai kuti ndiri
kurwarirwa saka handidi kuramba
ndichikakavadzana nemi tezvara vangu vari
kurwara saka handidi kubviswa pana Mwari
ndofunga nguva chaiyo yandaitambura
makatadza kunzwa tsitsi now mave netsitsi
nekuti makuonaka kuti ndatsvukirira
nekuchengetwa.

Vakazobva vongokwesvaira ndaive


ndavaudzisa munhu wepi asinganyari ngavazive
kunokama mukaka wemombe dzavakapihwa
nasekuru vaTawe zvakanaka vasiyane neni.
Ngavanoudzana udzana ikoko neteam ravo kuti
Sifiso aramba kuuya .

Hongu ndaramba kuenda asi handina kuramba


vabereki , hongu vakandibereka asi iye zvino
ndiri pasi pasekuru vemwana wangu saka
ngavandirege ndakadero.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq

♣💔💔💔💔♣

Her own decision


By Linda aka Mai Peace

0616317489

Chapter 37

*Brain*

Zvanga zvakaoma kani veduwe vanhu


vakapedzesera vondibvunza kuti nhaiwe asi
haunawo hama here nezero rako irori neurwere
huri pana baba vako uhu hunodawo une munhu
mukuru.
Ndaitoshayawo kana kuti ndovapindura ndichiiti
nekuti chokwadi mudhara vanga varwara
ukaona munhu uchiiti 3weeks dzakazara usina
chaunokwanisa kana kuita kana kusimudza
zvako chigunwe kana kupfakanyika zvako kuti
uratidze kuti uri mupenyu ummmmm zvinenge
zvasvika pakuoma chokwadi.

Ndakazosvika papfungwa yekutenga amwe


mabook ekuverenga ekuchikoro. Panga
pasisina yekutamba nekuti nguva yaifamba
vamwe vachienderera mberi nedzidzo
vaisamira nekuti Brian ari kurwarirwa.

Ndaive ndoti nguva dziya muchipatara panenge


panzi nguva yekuona varwere yadarika ndipowo
ndaiwana mukana wekunoverenga ndiri panze.
Ndanga ndoti kuita zvechikoro nekutarisa baba
vangu.

Vanhu havana kumira kubvunza nekutaura


zvavanoda munongovaziva vanhu paitika
chinhu uye kana vada zvavo vanenge vatova
vana chandagwinyira.

Vamwe mai vakaona ndakazvigarira hangu apa


ndaitoverenga mabook ndiri panze. Mai ivavo
ndaivaona vaivewo nemurume wavo aive
aitawo accident asi aive atyoka makumbo ese.
Ummmmm dzimwe nguva ndaitomboona
hangu kuti zvamudhara wangu zvitori nani.
Nekuti zvandaiona muchipatara imomo
zvaityisa kani. Maiuya umwe akatyoka tyoka
zvekuti waisambofunga kuti achazofamba kana
kuti achararama vamwewo aiuya asingatarisiki
kumeso uku ummmmm zvanga zvakaoma kani.
Vakasviko ndimhoresa nekutogara paya
pandaive ndiri.

Ndakavabvunza hangu kuti mamuka sei


semunhu wandaigara ndichiona uye ndichitaura
naye muchipatara.

Vakabva vanyatsogara vakadekara zvavo


kureva kuti hakuna kwavaimhanyira kuenda.
Takatanga hedu kubvunzana nekutaura dzimwe
nyaya.
Vakazoti mwanangu chimbondiudza chaizvo
kuti ahuna kana hama here iwe ko mai varipi asi
vakashaya.

Moziva ndakatanga kunzwa kubatikana


nemubvunzo iwoyo kuti shuwa ndotambura
nababa ndega ivo mhama varipo havo
chokwadi kune vamwe vanhu vasina moyo .

Mai vaya ndakazongovaudzawo kuti Mai


vakasiyana nababa kare kare ndichiri mudiki
handina kumbobvira ndazovaonana navo
kusvika ndikure kusvika pano.

Chero ndimiwo ndaizotii pakadaro chero dai


ndakati variko vakakonana namudhara musi
wazokuvara mudhara zvaizoita here?
Zvinoita zvinhu ndichipedza kutaura mashoko
aya ndipo mhamha vabvawo vangofona nguva
iyoyo.

Ndakadaira phone iya BP yashuta kare ndikati


mhama mune shuwa here kuti ndotambura
nababa imi mugere henyu ikoko. Mai vaya vaive
vangoshama muromo kuda vaive vondishora
kuti ndavanyepera. Kupusa kwandaive ndaita
phone yaive paloud zvayo zvekuti mai vaya
vainzwa zvese zvataitaura ndofunga
vakanyatsobata shuwa kuti ndimhama vangu
chaivo. Pasina nguva Mai vaya vakabva
vandibvutira phone iya ndokutotanga kutaura.

Chero mozogara zvivai kuti kune vamwe vanhu


vanozvitaurira havo . Pakutanga vachindibvutira
phone iya ndakatombovatsamwira asi
nemashoko avaive voudza mhama
ndakatozovatenda.

Nekuti vakanetsana namhamha pafon paya


kusvika mhama vati ndinokwira mangwana
kuuyako.

Apa mhama chero vachisizviita mungwaru


vaive vasangana nazvo. Vakaudziswa kani
zvikanzi hindava musina moyo imi chero dai
makakonana zvinengei , apo ndipo panotoda
kuonekwa kuti muri mukadzi ane dzinodhonza.
Kwete kupikisa mwana wenyu jere rakadai
nezero rake irori. Zvine basa rei zvekukonana
kwenyu kana zvinhu zvakamira seizvi ndipo
panoda kuonekwa moyo wenyu kuti wakamira
sei?
Regai kudaro mwana wenyu mhani 3 weeks
dzese shure kana munhu umwe zvake
anouyawo kuzoona baba vake. Vamwe hama
dziri kungodirana kuzoona murwere wangu but
nditoripo ini munhu mukuru.

Vakazondidzosera havo fon iya vakati kana


mhama vako vasvika undiudze ndinoda kutaura
navo.

Ndakabvumira hangu chokwadi ndaizovaudza


kuitira kuti zvipedzerane feya feya, aaa mhama
vaida kuzviitisa chokwadi manje apa
zvozosangana chete.

Ndakavarairwa hangu Mai vaya vaive vatobva


havo pandiri ndakati asi ndiri kutadza kuona
here?

Asi ndakaona kuti chokwadi ndaive


ndichinyatsoona . Aive Sifiso naTawedzerwa
namai vaanogara navo. Ndakafara guys
nenguva yandanga ndagara ndisinawo kana
kumboona wekwangu. Ndakafara kuita fanika
ndaive ndanzwa kuti baba vako vambokosora.
Izvo kwaive kufarira kuti ndawanawo
vekuchema navo.

Pavakasvika nguva yekuona varwere yanga


yakatokwana ndokupinda hedu mukati.

Takasviko semazuva ese ko paitaurwa here


pakadaro kwaingoti avatarisa aitotsikitsira
kutanga kuchema.

Ini hangu semunhu aive ajaira plus ndaigara


ndichingochema musi uyu handina
kumbochema ndakambovapawo mukana
wacho.

Ndakatora mwana wangu kuna mai vake


ndokugara ndakamubata anga atokura ave
kutomhanya. Aishereketa Tawe aisada kugara
nzvimbo imwechete saka ndakatoona kuti
tinogona kurivara mwana akabuda panze
akarasika.

Ndakamubata kudaro ndaitamba naye hangu


ndichimuti Tawe mhoresa sekuru vako
mwanangu. Apa ndaitomubatisa ruoko rwavo
icho Tawe chacho chakabva chamira
pamakumbo pangu ndakagara kudaro
ndokutanga kuda kutamba nasekuru vacho vari
lifeless kudaro. Ndakatanga kuti chirega kubata
sekuru nekuti ndaitya kuti aigona kuzobvisa
madrip avaive vakaiswa zvikazova zvimwe.

Ndakazovarairwa hangu kukanganwa kuti


Tawe aibatabata. Ndakatozofunga nezvazvo
ndokunotarisa kudai wanikwe Tawedzerwa ari
kutotamba achitsvoda sekuru vake zvaaive
akajaira kuita namhamha vake.

Ndakambofunga kumurambidza asi ndakaona


kuti zvaisaita nekuti aive asingavadzimbiri.

Chinguva achingodaro ndakayeva hangu kuti


zvino baba vangu vodawo kufa here vasina
kuona kukura kwemuzukuru wavo wavakamira
naye kusvika nhasi kudai. Ini baba vacho
ndakazvitadza asi ivo vakamira naye namai
vake kusvika nhasi akure kudai.

Ndakatanga kurangarira kubva dziri hembe


dzekuti apfeke arirusvava, kuendwa namai
vacho muchipatara vachinomubatsirwa.

Ndakafunga pese pazvaioma baba vangu


vachimira chete nemhuri yangu kusvika nhasi
vave panguva yavave iyi moyo wangu
waindiudza wega kuti kuve muno kwavo Mai
Tawe ahashaikwe chete panyaya dzacho.
Hamenowo zvakaitika asi ndaizozvinzwa chete
nekufamba kwenguva.

Ndakafunga kuti saka kana mudhara vakafa


ndiani achazvigona zvose zvavaiita pamhuri
yangu. Misodzi yangu yakatanga kuerera nekuti
ndanga ndafunga zvakadzama ndakaoma
upenyu hwangu huchizondiomera kusvika
pekupedzisira.

*Musandisiya kani baba*

Ndakamataura mashoko aya mumoyo mangu.


Uku Tawe aingova busy chete kurezva sekuru
vake vaive vasingotozivi kana kwekuisa musoro.

Ndakaramba hangu ndatoyeverwa naTawe


aitamba nasekuru vake achingovatsvoda chete.
Gare gare ndakaona mudhara vosvinura
zvishomanene aaaaa hana yangu yakarova
hapana akaziva kuti ndizvo zvaitika nekuti vese
vaive busy kuchema. Ndakaramba ndakatarisa
ndakanyayara apa hana yangu yaiita kurova
nemufaro haaa munongonzwa ndanga ndafara
kani handidi hangu kunyepa asi panguva yacho
handina chandakataura ndaida kuona kuti chii
chaizoitika mberi.

Vakabva vatsunzunya pakare iye Tawe wacho


kana kumira kutamba nasekuru vake. Aibva
avabata bata kumeso apa dzimwe nguva aibata
muromo kana kutambisa tsiye dzavo ivo vaibva
vaita kakudzifambisa fambisa asi
vakangotsunzunya. Baba vangu vaive vapenyu
guys ndaive ndazadzwa nemufaro usinga
tsananguriki.

Tawe akazotanga kuita zviya zvinoita mwana


kana achideedza munhu asi zvaitaura
zvaisanzwika kuti aida kuti chii?

Paakangotanga kutaura achitamba navo


vakabva vasvinura zvakare, ndokuramba
vamutarisa ndakaona vonyemwerera
vakamutarisa. Icho Tawe chacho pachakaona
sekuru vacho vachinyemwerera chakatanga
kuita zviya zvinoita mwana kana achinge
atekenyedzwa. Chakaratidza kufara veduwe uye
kuseka zvakabva zvaita kuti Mai Tawe namai
Tine vasimudze musoro . Asi sekuru vaTawe
vanga vavharazve maziso pakakare asi vaive
voonekwa kufema manje.

Ndakabva ndati daddy vamuka Mai Tawe maita


basa mukauya naTawe amutsa sekuru vake.

Sifiso : Watii Brian wati Tawe kuita sei?


Ndakazovarondedzera zvese zvaive zvaitika
mumaziso angu, vakatanga kufara ini nguva
iyoyo ndakabva ndatonodana doctor.

*Mai Brian*

Kunyara ndokuziva kwete zvandakaita musi uyu


,semazuva ese handiti ndaitofona kubvunza
Brian kuti vari sei baba vake uye kumusimbisa.

Musi uyu zvaBrian zvanga zvakatokwidza


akandipopotera veduwe paphone zvekuti
ndakatombopusa chaiko.

Pasina nguva phone yake yakabva yatanga


kutaura neinzwi rechikadzi ndakatoshayawo
kuti aive ani iyeye aitaura paphone yemwana
wangu.

Ummmmm mukadzi aitaura hake iyeye veduwe


zvekuti ndakaita kupusa chaiko ndakaudziswa
kusvika ndataura ndega kuti ndinomukira
kukwira bhazi mangwana.

Hapana yekutamba kwanga kwatova


kuzvisunda kuenda kunoona baba Brian.

Nyangwe vakanondidzinga havo chikuru


ndasvika kungoti hanzi havakwanisi kana kuita
sei saka hapana anonondidzinga. Nekuti ndini
ndave kutoitwa benzi kana kuti munhu akaipa.

Ndakazoswera hangu ndongofunga zverwendo


rwamangwana kuti rwaizonomira sei.

Ndakaudza vanabhudhi nezvekuenda


kuchipatara vakatomboda kuti hazviiti
musaenda remember murume wenyu achine
kubatikana nezvakaitika saka better kumbosiya
zvakadaro. Ko anokushorai ndiani iye munhu
wese achiziva nyaya yakaitika.

Pfungwa yehanzvadzi yangu yaive right asi


ndakazofunga futi mashoko emwana wangu
uye emukadzi uya ndega ndikaona kuti ndaive
ndave kutoshungurudza mwana wangu.
Ndaifanira kungoita chirango chekusvika kuitira
mutauro indiitire mishoma.

Ndakazongorovera moyo kudombo ndipo


ndakaudza hanzvadzi dzangu kuti regai ndiende
ndinovaona kuda moyo wemwana wangu
ungagare panzvimbo sezvo aomerwa ega ega.

Takazowirirana kuti ndaizofaniri kufumo bata


bus ra3:00 am kuitira kuzowana nguva
yekudzoka.

Kuchiedza kuma3 kwacho ndanga ndatopedza


hangu kugadzira nekutobuda kuenda kunokwira
bhazi.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq

♣💔💔💔♣
Her own decision

💓
By Linda aka Mai Peace

0616317489

Chapter 38
*Baba Brian*

"Heyi iwe William William iwe haundinzwi here


ndichitaura newe"

Handina kuda kuzviteerera nekuti dare iri raive


ratogarwa kare rikapera ndaivaziva baba vangu
kuti vaida chete kundivhiringidza. Nekuti kubva
dare iri richitanga ndivo chete vaiita nharo
dzekuda kuramba zvaive zvabvumirwana
nevamwe.

Apa yaitova first time yangu kuvaona ndainge


ndavaintroduswa nevanhu vaivepo dzaingova
hama dzangu dzega dzega . Ndainzwa kufara
kani nenguva yandaive ndave chokwadi kukura
kusvika zero rino ndisingazivi hama dzangu asi
zvino ndazosanganiswa neverudzi rwangu. Mai
vangu ndaivaona zvangu vakagara nechekure
kure vega vakarereka musoro.
Ndakatsidza kuti chero vakanzwisa tsitsi sei
ndaisambosvikako nekuti ndivo vanga vakaita
kuti ndisaziva rudzi rwangu iyezvino vonzwisa
tsitsi zvenhema kuda chete kuti ndisiye hama
dzangu ndichienda kwavari manje handiiti
izvozvo. Ndikaera ndangobuda mavari
handizovawani futi nekutambura kwandakaita
ndichitsvaka baba vangu nhasi uno vonditi
William William zvenhema kuda kuti
ndiparadzane nedzinza rangu chete manje
maya pano handibve. Kana ivo mhama vachida
kuve pedo neni ngavauye kuno kudzinza rangu
ndivachengete kwete kuti ini ndiswero
kuudzirwa navo zvokuita kwete ndatove munhu
mukuru ini.

Ndakazonzwa mudhara wangu osheedzera


zvine simba apa anga agumbuka manje.

Apa hana yangu yakatanga kurova uye kutya


ndaisaziva kuti baba vangu vanotsamwa
zvakadaro.

Iwe William ndava kuzokudira tsvimbo mhanje


mumusoro ukada kuita zvekutamba neni hona
mazuva ako apera kwangosara nhasi
namangwana chete cheuka uone kuti muzukuru
wako achikukuda enda unoona mwana komana
wako achikudza dzinza rangu newe ndinoda
zvakare kuti unokudza dzinza rangu hausati
wachembera iwe zvekuti ungagare nemwana
mumwe chete.

Ko baba vaimbozama kutii chaizvo hongu Brian


anogona kukudza dzinza ko ini ndinorikudza
nani dzinza racho iroro. Ini zvevakadzi handidi ,
ndichiri kufunga kudaro ndakati regai ndicheuke
nditarise mukuzuru wacho wavari kureva kuti
ari kuda kutamba neni.

Ndakacheuka ndokuzama kusvinura zvishoma


asi maziso angu airema. Ndakadzokera
kutsinzinya pakare asi moyo wangu wakaramba
uchirwadza nemashoko aive ataurwa nababa
vangu saka ndakashingirira zvakare kusvinura
ndaida chete kuona muzukuru wacho wavaireva.

Ndakashingazve ndokuzama kusvinura zvakare


this time maziso angu akabvuma kuvhurika
ndokusvinura. Ndakarohwa nehana kuona Tawe
achindisekerera ndakanzwa kufara mumoyo
mangu ndakabva ndamusekererawo .
Ndakatsinzinya zvakare ndichida kuti ndione
vanhu vandaive navo nekuti ndaisada
kuparadzana navo. Asi panguva iyi handina
wandakaona vanga vasisipo vese ndakada
kucherechedza nzvimbo yandanga ndinavo asi
handina chandaiona kunze kwekungoona rima
sezvo ndaive ndakatsinzinya.

Ndakachitanga manje kuzama kubatanidza


pfungwa kuti ko chii changa chichiitika asi
ndakatadza kana kuziva chinhu.
Chandaingogona kurangarira chete panguva iyi
vanhu vedzinza redu vandaive navo asi panguva
iyi vanga vanyangarika. Chiso chababa vangu
ndicho chainyanya kundijekera. Ndakarwadziwa
nekusavaona kwandaiita nekuti ndaive ndafara
kuti ndave kugara nevanhu vekwedu uye kufara
kuti baba vangu ndavawana nekuti ndaive
ndavatsvaka kubva ndichiri mudiki kusvika
nhasi uno ndovawana vobva vanyangarika
zvakare.

Ndakazoita kunzwira kure kure kuti pane vanhu


vaitaura mandaive.

Ndakafara zvakare ndikati vanhu vaya


vandanga ndinavo ndivo vari kutaura
ndakavhura zvakare meso angu ndokuona vari
Mai Tawe naBrian nemai vaya vairera Tawe uye
paive nemanurse akawanda uye madoctor.

Ndipo manje ndakachitanga kuzama


kurangarira kuti chii chaive chamboitika chaizvo.
Nguva yandakasvinura iyoyo munhu wese
akatanga kuti ,"amen, thanks Lord".Haaa
zvakabva zvatondipazamisa njere.

Tawe aingovapo achindisekerera chete akamira


pamakumba pababa vake. Moyo wangu
wakatombochena kuonawo Brian akabata
mwana wake ko icho Tawe chacho
kundisekerera. Ndakabvawo ndatanga
kunyemwerera ndakatarisa chizukuru changu.
Ndipo chakatanga kujamba jamba nemufaro
chichiseka chichida kukwira pabed pandaive
ndakarara. Pakunokwira kwachaida kuita ndipo
chakanodzamba pachifuva changu , ndakanzwa
kurwadziwa zvandisati ndamboita zvekuti
ndakagomera zvakanzwika nemunhu wese.
Ndakaona Mai Tawe omhanya kubvisa mwana
uya achiti Tawe unodzimbira sekuru chirega
kudaro mwanangu.
Tawe paakabviswa pandiri agoti kuridza mhere
yakavharira, moyo wangu wakarwadza kuti
vaive vamutorerei but nemarwadzo andaive
ndonzwa hapana zvandaigona kuita.

Ndakazoda kushama muromo kuda kuti


ndibvunze Brian kuti chii chaive chaitika
kwandiri nekuti ini pfungwa dzangu dzaisada
kurangarira zvaive zvaitika. Ipapo muromo
wakaramba kuburitsa manzwi rurimi rwangu
rwairwadza zvakanyanya,kuita fanika ndaive
ndazviruma rurimi kana kuti munhu uya ane
maronda paririmi hamenowo kuti rwave rwaita
sei?

Manurse aya ndiwo akazoti ngatimbovapai


nguva vambozorora. Ndakazonwisa amwe
mapiritsi ndipo ndakatobva ndabwatwa nehope
pakare.

*Sifiso*

Kuchikoro ndaienda zvangu asi moyo wangu


waisave panzvimbo nekuda kwekukuvara
kwasekuru vaTawe zuva nezuva ndaigara ndiri
pamutsanyo ndaingodya poridge manheru kana
kunwa mahewu ndiho hwaiva hwava upenyu
hwangu sadza chairo ndaizodya kana vave
right kana kuti Mwari vaita kuda kwavo.

Mazuva aifamba Brian aingotaura kuti hapana


chiri kuchinja zvinova zvinhu zvaive zvogara
zvichindidya moyo kana kuchikoro ndaive
ndongoenda zvezita hapana kana chinhu 1
chandaimbonzwa. Chokwadi zvinhu zvanga
zvandiomera handidi kunyepa ndaive ndogaya
kuti ko Mwari vakatonga ndaizonangepi sezvo
ndainge ndaramba kuenda kumba. Asi
ndakazokandira pfungwa yacho kure ndaive
ndatoona ndega kuti yaigona kuzondibvisa
panaMwari. Hanzi paya paunogumirwa Mwari
ndipo pavanosimudzirawo kukupa mazano uye
kukubatsira. Saka ini ndainge ndomira naMwari
panguva ino ndiye anga ava zvose zvangu.
Hapanawo chandaigona kuita yanga yatove
nhamo yechikwepa uku chakarumwa uku
chinotsva ndizvo ndakanga ndoita ndanga
ndave parumana nzombe chaipo kutsva mberi
neshure. Hamena chero zvazvaita ivo Mwari
ndivo vanoziva kuti chii chatora nzvimbo.

Dzakasvika pakukwana 3 weeks Brian achingoti


no change . Rimwe zuva Mai vatinogara navo
vakangomuka makuseni vakati Sifiso nhasi
ahuendi kuchikoro. Ndikati ko nemhaka yei
kwaivawo kungobvunza zvangu kana neni
zvechikoro zvacho kwanga kwava kungoitawo
gunda musairira hapana kana chimwe
chandaive ndichamboteerera muclass macho.
Pfungwa dzangu dzanga dzakatovhiringika kare
neurwere hwasekuru vaTawe vanova ndivo
vaiva zvose zvangu.

Vakandiudza kuti taifanira kukwira kuenda


kuGweru Kuna sekuru vaTawe asi Ishe vati
tinofanira kuenda naTawe vane zvavanoda
kunotiratidza tave ikoko. Ndambozama
kubvunza denga kuti rindiudze chinangwa
nechivavarigwa chekuti tiende nemwana asi
Ishe vati endai chete sekutaura kwandaita.
Zvizhinji munonozviona maveko nekuti
mukasangoenda naye nhasi ndiro zuva
rekupedzesera .
Haaa zvandinetsa Mai Tawe kuti Ishe vari
kumboda kuzama kutii asi isu ngatitopinda
zvedu munzira izvozvi tiende.

Hatina kupedza nguva takabva tatogeza geza


nekutoenda kunokwira bhazi uyu Brian handina
kumbomuudza kuti tiri kuuya ikoko. Tinevimbo
takamusiya pane vamwe Mai mukadzi
wevamwe ticha ndiko kwavanosiwanzo tamba
havo naTawe nechimwana chamai ivavo.
Takavaudza kuti taizodzoka kumazuva rodoka
vakati paive pasina chakaipa, ndokusara havo
naye.

Munzira zvanga zvisina kumira mushe


munongozivawo kuti panoda kubuda
chakanaka satan ndipo anomira kudzimaidza
chete kuti zvikone. Zvino zvakwaive kwanzi
ndiro zuva rekupedzesera taifanira chete
kutosvika musi uyu pamwe ndiko kwaiva
kunoonekana nasekuru vemwana wangu. Moyo
wangu waive waita kumera bhundu chairo
nezvaive zvataurwa izvi. Pfungwa dzangu
dzaive dzoti bate chino tsve batezve chino
tsvee asi handina kumira kunamatira chipo
cheupenyu ndaingovapo pamunamato kusvika
Jesu achiuya.

Bhazi rakambofa munzira pakati pesango


zvekuti driver akatombopererwa akazofonera
munhu kubva kukwekwe kuti azorigadzira apa
tanga tichangobuda muCentre.
Aingova mabasa asatan chete asi musi uyu Mai
Tine vanga vakazvipa kunaMwari vakaburuka
ndokunomwaya bhazi riya muteuro ndokudzoka
makare ndokuudza vanhu kuti udzai driver
asimudze bhazi tiende. Vanhu vagoti kutanga
kuvatuka ummmm vakaitiwei musi iwoyo.
Ummmm vanhu vanotuka kani umwe akati
uchizviona sani pawakati mhaa ipapo iwe
uchinzwa kuti bhazi rafa but wave kuti driver
adrive bhazi iro rafa and ragwinha zvanzwika
nemunhu wese kuti bhazi ratofa iri. Vanhu
vaitaura kani zvakasiyana siyana mubhazi
manga matova nenoise isingaiti.

Ivo Mai Tine vacho kana zvavo kumbozvitsvaka


kutosheedzera zvakare kuti muri kutinonotsa
vamwe tiri kuenda kuurwere driver rovai bhazi
tiende hapana bhazi rafa apa.

Ipapo vanhu vese vakabva vati maziso jiii


kwavari vamwe vakati ndivo vanhu vanoda
kusungiswa ava.

Driver semunhu anosangana nezvizhinji


mubasa rake ahana kuda kukakavadzana
nemweya mutsvene akabva angoita sekutaura
kwaive kwaita Mai Tine bhazi ndokutosimuka
kuita mushina chaiwo. Zvekuti zvakashamisa
munhu wese mubhazi muya vaya vaitaurisa
vanga vasingotsikitsira vonyara zvino. Vamwe
ndivo vaive vataura kuti guys musangotange
kutaurisa honai mashora munhu waMwari
muchenjere kuzvipa rushava shava ngwarirai
mashoko enyu mukufamba umu tinofamba
nevanhu vakasiyana siyana. Ngatitendei Mwari
nekuti vatipa muchengeti wavo kuti
atichengetedze tinotove nelucky mazuvano
kwave nevamwe vanopindira mubhazi kuti
aitise tsaona chaiyo asi isu tawana munhu
waMwari ari kutikundira. Hazvishamisi kana
muno muchitova nechigan'i changa chichida
kukonzeresa asi nekuda kwekuti mune
mutumwa waMwari zvaramba.

Ndiyo yakanga yangove nyaya kusvika tasvika


Gweru ummm munhu mutema anotaura hake
ndiregei vaya vaive varasa muromo
vakatozosvika pakukumbira ruregerero nekuti
vega vaive vaona kuti varesva kutaura.

Takazoburuka hedu nekunanga kuchipatara


hatina kumborasika nekuti ndaigaro bvunza
Brian mafambiro aive akatondiudza kare.

Zveshuwa takasvika muchipatara muya Mwari


vakabata basa ravo sekuvimbisa kwavaive vaita.
Pakave nekufara kukuru kwandisingagoni
hangu kutsanangura.

Sekuru vaTawe vanga vamuka chokwadi Mwari


ukavanamata havafi vakusiya ndakafara kuita
fanika ndichabata denga.

Vakapihwa havo mapiritsi ekuzorora sezvo


nguva dzaive dzaenda takazosiya vakarara
ndokuoneka hedu sezvo taimhanyira bhazi.

*Brian*

Kufara ndinokuziva guys kwandaive ndave


nako handikwanisi kukutsanangura.
Ndakambofunga kuti ndairota asi ndakatoona
kuti kwaisava kurota baba vangu vanga vamuka
zveshuwa.
Chokwadi ndipo paunoona kuti chimwe
nechimwe chine zvachakakoshera mukurarama
uye Mwari anozviita nechinangwa. Kurevaka
kuti dai Tawe aisavapo baba vangu vaitozofa ,
chokwadi ndinotenda nekuvapo kwake plus mai
vake vane moyo wekushinga. Dai Mwari vaita
kuti tizove tese dakara tiparadzaniswe nerufu.
Vakazopihwa mapiritsi ekuti vambozorora havo,
vana Mai Tawe vakazodzokera havo vachisiya
tezvara vavo vachakakotsira panga pasina
yekutamba nekuti vaimhanyira kuno bata bhazi.

Ndakambofunga kuti varare vozodzokera


mangwana asi ndakaona kuti zvaisaita kunenge
kwave kutoremedza munhu wandinogara naye.

Ndakazovaperekedza hangu kunokwira bhazi


asi waingova mufaro bedzi bedzi.

Ndakazodzoka hangu kwandaive ndaperekedza


vana Mai Tawe ndipo ndakawana mudhara
vasvunura manje. Ndichisvika pavari
vakangonyemwera zvishoma asi zvaive
zvekutomanikidza chaiko vairatidza
kurwadziwa zvakanyanya.

Ndakasviko gara pedyo nebed ravo ndokuti


mukunzwa sei daddy.

Vakatanga vaedza kukosora asi zvakaramba


vairatidza kurwadziwa zvakanyanya mukati
mechifuva chavo.

Vakazoti pave paya ndokuti ndiri kurwadziwa


mwanangu ko Tawe wandamboona aripano
aendepi.

Ndakavapindura kuti vatodzokera ndabva


kunovakwidza bhazi izvozvi.
Vakabvunza kuti ko kuno tiri kupi?

Chokwadi baba vangu vanga vamuka kuvafi


chaiko kana kumboziva havo kuti vanga vari
kupi.

Ndakazovaudza kuti vaive muchipatara


kuGweru.

Vakaratidza kushamisika asi vakazoti.

Ndanga ndafa mwanangu ndanga ndatoenda


kune vedzinza rekwedu kana baba vangu ndave
kuvaziva mwanangu asi ndinovimba kuti vakafa
kare kare.
Me : Mazviwanepi zvose izvozvo daddy
takangokura muchitaura kuti hamuzive dzinza
renyu saka zvose izvozvo maudzwa nani?

Mudhara : Inga ndiri kukuudza wani


mwanangu kuti ndanga ndichitova kune
vedzinza rangu kana mbuya vako Mai vangu
ndavaona . Ndakagara kwemazuva ndine
vedzinza rangu asi nhasi baba vangu ndipo
vazoti dzokera kwawakabva hona mwana
wemwana wako ari kukuda. Ndipo ndaramba
asi vazoita zvekutoda kundirova chaiko zvekuti
pandazoti cheu ndichisvunura kuti ndione
mwana wacho.
Ndipo ndambokundika kuona chinhu asi
pandazoshinga kusvinura ndabva ndawana
Tawe achindirezva.

Mwana wako Brian akakosha mumhuri yedu


uye unofanira kudzidza nesimba mwanangu
wozochengeta mhuri yako.
Hona kufa kwakauya mwanangu ndinofa chero
nguva ukashaya anozokubatsira sezvo tisina
hama kudai

Me : Ndazvinzwa ndinotenda nekuvapo


kwenyu uye kumuka kwamaita marerutsira
moyo wangu daddy.

Mudhara : Ungadei usina kurega Tawe


achidzokera ungadei wavatsvakira pekurara
kana kuhotera ahuna kuuya nemari here
mwanangu.

Me : Mari ndanga ndinayo daddy asi kuti


handina kumbozvifunga hangu.

Dadd : Pakanaka mwanangu chirega


ndimbozorora pfungwa dzangu hadzina
kugadzikana ndamukira nhamo chaiyo dai
ndafa zvangu.

Me : Chisiyai zvekufunga daddy honai


hamusati maita zvakanaka munozozviwedzera
kurwadziwa.
Daddy : Zvinorwadza mwanga zveupenyu
izvi. Rega ndimbozorora tinozotaura asi ndave
kuda kuti tiende kumba hona mwanangu ahusi
kuchikoro.

Ndave nenguva yakadii ndiri muno Brian?

Me : Tanga tatobata vhiki rechi 4 daddy


makangorara.

Daddy vakazongoti zvakaoma ndokutsinzinya


havo kurara.

Ndakazoti nguva dzekubuda dzakwanazve


ndokubuda hangu ndonomirira friend yangu kuti
azonditora.

Akauya ndokunditora toenda hedu kumba


kwake ndakamuudza kuti mudhara vaive
vamuka akafara zvekuti akatozonditsamwira
kuti ndaive ndanonokerei kumuudza. Akazoti
aizovaona hake mangwana.

Mangwana aya takamuka ndokumukira tese


achinondisiya uye kuona mudhara.

Ndaifanirawo kuvaudza kuti ndiye munhu aive


achindichengeta kubva pandakauya. Vaimuziva
havo nekuti ndivo vaive vakamudzidzisa
kuprimary.

Takasvika hedu ndokuwana mudhara


vakasvinura musi uyu vairatidza kuve nani
chose. Chere patakavabvunza kuti urisei muviri
vakati nhasi ndiri better chaizvo kana kufamba
ndave kugona hamuoni here kuti nhasi
ndabiswa zvese zvandive ndakaiswa. Chasara
kusainiwa chete tichienda kumba.

Zvino kumba kwacho Mai Tawe vave


kutombodzoka kuzogara kumba nekuti hapana
angave achindibikira better vadzidze zvavo
vachibva kumba kana ndave boe vozoenda
zvavo kunogara kuchikoro.

Ndakangovapindura kuti pakanaka daddy asi


moyo wangu waitorwadza kuda kunzwa kuti
namhamha vanga vamboitana sei chaizvo.
Haaa izvo ndizvo ndaizobvunza chete
ndaingoda kumirira kuti friend yangu ibude
chete ndozobvunza hangu.
Iyewo ahana kuzogara akabva atongooneka
nguva iyoyo nekuti aimhanyirawo kumadhiri ake.

Pandakati chiregai nditange nyaya yangu


ndinzwe kuti chii chakaita vakonane nambamha.

Ndichingonotanga kuti ko ndakawana mhama


vasiko kumba chii nhai daddy chakanetsa. Ivo
Daddy vasati vambopindura ndakaona mhamha
pfacha pfacha.

Ndakabva ndangoti kuna daddy aaa better


mhama vabvawo vasvika.

Daddy vakaitakakuvhindukira ndokuti watii chii


mai vako kuuya kuzodzimbira moyo wangu.

Ipapo ipapo ndakaona daddy vodonhera


pamachira pabed sezvo taitaura vakagara
ndakaona pfau pfau ndiye ziiii.

Moziva hana yangu yakarova ndikaita


kusheedzera," doctor doctor baba vangu kani
mhanyai".

Ndakasheedzera zvakavharisa ward yese


zvekuti chero vanhu vaivemo vakamhanya
kuungana pabed pandaive nadaddy.

Manurse akazouya ndokutanga kudzinga vanhu


apa mhama vanga voita kuibongomora mhere
muchipatara muya ini ndakati handimbochemi
kunze ndaona voendeswa kumortuary ndizvo
zvichaita kuti ndigutsikane kuti daddy vangu
vafa.

But kufa maya munhu wandanga ndichitaura


naye manje manje pano haaaa hazviiti
ndaramba.

Chinzwawo zvaive zvota mhama kuchema uku


vachiropora kutaura.

Vakazonyaradzwa neumwe nurse zvikanzi


chimbomirai zvamuri kuita izvozvo munoda
kuvhundutsira mwana here mabva nepiko mai
imi munongoti nekusvika munhu anga ave
better obva atongoita zvimwe. Hope hamusiri
imi makonzeresa tozviziva kuti vamwe
hamufambiri chimwe chete.
Mhama pavakaudzwa mashoko iwayo vakabva
vangozvinyararirawo nguva iyoyo.

Ndakazosara ndovaudza kuti mhama kuuya


kwenyu kwatokonzeresa daddy vanga vatova
nani zvekuti nhasi kana mangwana taigona
kubuda muchipatara.

Ndinoda mundiudze nyaya yenyu mega


yamakaita, yapa kuti daddy vadai
pandangotaura kuti mhamha vabva vasvika
ndipo patotaura daddy kuti mauya
kuzovadzimbira moyo wavo ndiudzei chii
chaizvo chakaitika mhama?

Mom : Handiti wazvionaka Brian ndaive


ndazvirambira kuuya kuno nekuti ndaiziva kuti
baba vako havambodi kana kundiona vachine
ronda pamoyo pavo but iwe wakataurisa kuita
fanika ndaisada kubata newe pamatambudziko.
Asi ndaiziva hangu kuti nyaya dzacho dzanga
dzisina kumira mushe.

Hona zvazoitika ndoita fanika ndini ndafambira


kuzopedzesa baba vako.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq

Her own decision


By Linda aka Mai Peace

0616317489

Chapter 39

*Mai Brian*

Aya ndiwo anonzi mashura chaiwo ndiudzeiwo


veduwe kuti ndichisvika munhu otogwinha
gwinha kufa. Kuita fanika ndaive ndaenda
ndakatakura zvidhoma zvekunomurovesa here.?

Haaa ndakaikwatsura mhere , chinzwa


zvandakazoitwa neumwe nurse kuita
kundinyadzisa muvanhu imomo.

Atende zvake kuti akawana ndonamata


chokwadi ndaizomushura shura aisandizviva
zvakanaka.

Ndakangozonyarara hangu asi ndaive ndonyara


uye kuzvitongesa kuti zvaimbofamba sei?

Mumoyo mangu ndakangozviziva kuti baba


Brian vachine ruvengo nekuda kwenyaya dziya
dzandaive ndaita asi vaisaziva kuti ndaive
ndasiya mabasa iwayo kurevesa chaiko.

Manje havazivi kuti ivo ndivo vaitozosara vave


muipi kuna Mwari nekuda kwekuti ini ndaive
ndareurura mhosva dzangu dzese pamberi
paMwari.

Ndizvo zvisingazivi vanhu kuti unosara


wakachengetera munhu chigumbu iye
atoyanana naMwari wake kare. Aikaka denga
harina manyanisi iri ndinonoripinda iyeni
wamunoti mutadzi ivo vatsvene vacho
vachitadza kuripinda.

Ndakazviudza kuti pano handibvi ko ndaive


ndatadzei nhai veduwe zvino ndoziva zvipi?
Ndaive ndaramba kuuya kuona baba ava asi
vanhu vakandiita garira neko iko kuno kuchipata
ndizofunga hangu kungoshinga kuuya.

Hanzvadzi dzangu dzaive dzazviramba asi


nekuda kwekunzwira mwana wangu tsitsi
ndakatongozoona kuti better kuuya.

Manurse akavaita chamuteka teka baba Brian


vopinda navo mune imwe room ini ndikati pano
handibvi ko ndatadzei? Mwari vangu
vanondipupurira handina chakashata chandaive
ndabata pana baba ava.

Pakaita nguva vabudiwa navo muya vaendwa


navo mune imwe room.
Manurse aingotaura kuti vanga
vachakangodaro hapana chiri kuchinja.
Vakataura zvakare kuti vakaramba vakadaro
vaizoendeswa kutheater kunovaoperater nekuti
zvainzi vaita shocked so his heart is not
working properly.

Saka vaive vati vombovapa nguva yekuona kuti


vanomuka here kana vasina ndipo voopereta
havo.

Brian aive onzwisa tsitsi mwana wangu ongoti


chii chaizvo chakaitika mhamha chamusingadi
kutaura honai makonzeresa manje.

Ndakati dhuuuu kufunga ndipo ndakaona kuti


paive pasisina nguva yekuvanza ndanga
ndatarisana nekuti andiregerere or orega hake
sababa vake vaive vasisadi kana kundiona.

Zvino chero neni ndaivewo ndatozvipira kuti


chero zvazvaita ko ndini ndaive ndadiiwo.

Ndakazotorana nemwana wangu ndokubuda


hedu panze ndaive ndazvipira kumuudza zvese
zvaive zvaitika. Ko ndaityei hangu ini ndaive
ndasiya moyo wakare ndaive ndazvarwa patsva
ini. Hongu ndaive ndafamba munzira
dzakanyangara kwenguva refu asi now ndanga
ndakapfidza nemoyo wese.

Tasvika panze paya takasvika ndokugara


pamabench aivepo ndokutanga zvangu
kurondedzera zvese zvaive zvaitika handina
kana chimwe chandakasiya.

Ndichipedza kutaura mwana wangu akatura


mafemo ndokutsikitsira akabata kumeso
kuratidza kuti aive otochema hake. Aifanira
kuchema shuwa kupedza shungu then
ozondipa murango wangu kundiregera kana
kusandiregerera.

Asi zvose ndaive ndotambira nekuti apa ndaive


ndisisaiti zviya zvezimhunzwa riri mundove.
Ndaive ndaona kuti magumo echakaipa ane
nguva yekubuda pachena.

Saka zvazvaive zvabuda pachena seizvozvo ko


ini ndaigozvivanzirei nekuti zvaingozosvika
munzeve dzake Brian.

Akachema mwanakomana ndakazoziva kuti


kumwe kwave kuchema hanzvadzi yake yaive
yafa ndichizama kubvisa nhumbu.

Neniwo zvimwe ndaizozvinyanyawo kani


veduwe Mwari ngavandiregerere shuwa.
Zvichibvawo neruchembere ruya
rwakanditambisa bhora risina mweya.

Akazoti atora nguva achichema ndokuzoti


mhama saka muchazvifambisa sei ini ndiri
mwana handina zvandinogona kutaura
pamusoro penyu nekuti ndiri mwana.
Ko kana daddy vangu vakasamuka munoita sei
nekuti ndiye munhu wekupedzesera muupenyu
hwangu imi maratidza mega kuti njere
makakonewa kudzishandisa kare.

Ndakapindura kuti Brian now zvese


ndinogamuchira chero munhu akandirova dama
rangu ndinomupa rimwe kuti arove zvakare.
Nditoripowo pamunamato wekuti baba vako
vamuke nyangwe zvedu takapesana asi
ndinovashuvira upenyu uye kubata
zvinoropafadzwa muupenyu hwavo. Now
ndakuda kuona kuti vamuka here kana vamuka
ndobva zvangu ndaenda kwandinogara
kumusha kwangu.

Asi zvose zvandakaita mwanangu


ndinokumbira kuti undipewo kanzvimbo kadiki
diki muhana mako samai vako.
Ndakashandiswa nasatan zvinorwadza
mwanangu kana neni ndinorwadziwa ndiko
kusaka ndanga ndafunga kuzviuraya.
Mukadzi wako ndiye akamira kuti ndisiye
pfungwa yekuzviuraya. Chokwadi ndinoda
kumutenda mwana uya ane moyo wandisati
ndamboona kubva ndichizvarwa chokwadi
Brian usafunga zvako imwe pfungwa uya ndiye
mukadzi wekuroora.

Nguva yekuona zvakare varwere yakazokwana


ndikati kuna Brian apinde hake atarise baba
vake ini ndaive ndotya kuti ndikapinda ndogona
kuwana vamuka vakazofa futi. Ummmm zvaive
zvondityisa nezvaive zvamboitika apa ndaive
ndongonamata kuti dai vamuka havo chero
nguva yavo yakwana ndaive ndongokumbira
musiki kuti avamutse havo panguva ino
ozovatora hake neimwe nzira zvisina ini mukati.
Brian akazosimuka kudzokera mukati muya
zvaingoonekwa kuti aive nekunetseka
mupfungwa dzake chero kufamba kwacho aiita
zvekuzvisunda chaizvo.

Ndakasara hangu ndakagara panze paya


aizondiudza kuti zvamira sei kana vakangonzi
vamuka ndaibva hangu ndadzokera chero
nebhazi reusiku zvaisava nebasa.

Paakapinda ahana kudzoka ndaive ndotoshaya


kuti zvaimbofamba sei?

Kana vari samai vaya vekunditi ndiuye kuzoona


baba Brian kana kuchada kusvika pandiri kuda
vaiveka vaona zvaive zvaitika kuna baba Brian
saka pamwe vaive vondityaa kuti ndiri muroi.
Zvakaoma kani muupenyu unombosvika pane
imwe nguva yaunoona kuoma kwezvinhu
senguva yandaive ndiri.

Papera nguva yakareba ndakazoona Brian ouya


asi airatidza kuti chiso chake chaive chati farei.
Akasviko gara paya ndokuti mhamha baba
vamuka asi tambotaura nezvenyaya yenyu
ndikavaudza kuti manga muri kukumbira
ruregerero. Daddy vati vakuregererai asi
musapinda henyu kuvaona vati tichazosanga
kumba mave kuzotakura zvinhu zvenyu.

Pakapedza Brian kutaura nyaya yekuti baba


vake vaive vamuka ndakafara veduwe zvekuti
ndakambofunga kuuruka asi ndakazizvidzora
semukadzi mukuru.

Izvi zvekuti vaive vati ndisachapinda kuvaona


handina kuita basa nazvo, chaive
chakandikoshera kurarama kwavo vachionawo
budzi redu ratainge takasiirwa naMwari.

Handina hangu kuzoda kupedza nguva sezvo


dzaive kuma6 dzemanheru ndakaudza Brian
kuti ndave kuenda mwanangu utarise baba
vako mwanangu kuvapo kwavo kwakakosha
muupenyu hwako.

Ndakafamba kubva paive naBrian ndonanga


hangu kunokwira bhazi kudzokera kumusha
kwangu. Ndakamusiya akangobata rushaya
moyo wangu wakatomborwadza asi ndaive
ndisina hangu zvandingaite asi ndaitofara
hangu kuti baba vake vaive vamuka.

Hongu havangambokoni kurwadziwa baba


Brian ndakavatadzira zvizhinji asi zvaive
zvadarika nenguva yazvo ndaive ndangofarira
kuti vaive vati vandiregerera. Ko zvekuvaona
havo zvanga zvisina kunyanya kukosha changa
chakanyanyo kosha kumuka kwavaive vaita uye
nekuti iniwo ndaive ndapedza pangu ndaive
ndaenda kunovaona nemoyo wangu wese.

Asi zvino kana vati vandiregerera vachinyepa


ivo vachine bundu mumoyo mavo hameno
zvavo vanenge vave kutotadzira Mwari wavo.
Nekuti ini ndakatogamuchira zvavapo and
ndinotongoshanda nezviripo chakakosha
kushandira Mwari wangu chete zvizhinji
ndakatofuratira.

Ndakasvika paya ndokumirira hangu bhazi


rakati nonokei kuuya. Rakazouya nguva
dzatofamba chando ndicho chakazondibvunza
mutupo nekuti ndaive ndasiya juzi kumba. Ko
ndaifungaka kuti ndosviko kungovaona
nekutodzoka hangu ndaisaziva kuti pachaitika
masaramusi akazoitika. Ndakatomboseka
hangu ndichiona baba Brian vachigwinha
gwinha ndichisvika ndaingozviiona zvichiitika
kumeso kwangu.

Ndakati ndoda kunoudza vana bhudhi firimu


raitika kuchipatara nhasi ndinonosekwa kuti
handiti tambokurambidza here hezvo wanosiya
mbiri yeuroyi kuchipatara kuti wanga worovesa
murwere nezvidhoma. Haaa nhasi
ndinonosekwa kani vakati wakasiyazve mbiri
zvakare pachikoro yekupenza chikoro chose.
Ko handiti vaiti kana vakafarisa ndizvo vaiindiita
vachindiwanzira vachindiseka. Ini
ndaisatombotsamwa zvangu zvino nhasi
ndeimwe mbishi yandanobura iyi vanonoita
kundibvaruka nekundiseka.

Handina kumboona kuti bhazi rasvika nguvai


ndaingove mundangariro yezvaiitika muupenyu
hwangu.

Pandakaburuka bhazi ndonanga pamba


ndakatombozvibvunza kuti kandi zvinhu izvi
zviri kuda kumbodudzira kutii chaizvo.
Pamba paisave kure paingove pedyo neroad
saka pasina nguva ndaive ndatopindira hangu.
*Mbuya vaDhela*

Chimwe nechimwe chine nguva yacho handina


kuziva kuti muupenyu ndaizosangana nenguva
yakadai. Zvaiti kunyadzisa zvikati kunzwisa
tsitsi. Ko ndaimboziva kuti kana zvinhu zvoda
kubuda pachena chero ukada kuita zvitayera
zvako zvinoramba.

Ndakatozama kutoti pano wanikwe kwaba


kuramba kutoti nditi zvino zvikati unonyepa.
Ndakachizotanga manje kuchipiswa namai vaya
aaaa munongonzwa imi zvinharo zvandaida
kumboita ndizvo zvakazondikuvadzisa.

Ndakasvika kumba kumeso kusisatarisiki


nemaduhwani kuita fanika munhu adirwa mvura
inopisa andisati ndamboona zvakadaro kani.
Zvese muviri waivewo nemadutuvha, ndipo
unotanga kuziva kuti kudenga kuna Mwari.

Chin'anga nhema chose chaive chapera kuti


tsvai ungambozoziva here kuti tisu vaya vaive
vabikwa pasi pemvura.

Ndave kumba kuya ndigoti kutanga kurwara


munongonzwa kani hama dzangu
ndakamboshinga ndiripo pamba ndichishandisa
mushonga wechibhoi ko handiti ndaiziva
mishonga yakasiyana siyana here?

Ndakaita fanika ndaive ndichitozviwedzera


kuita maronda chaiwo agoti kuchereka veduwe
hamuna chamakaona.
Kana ari semanheru kwaisararika kani zvikiti
nezvana zvichichema musha wese. Kuita
fanika zviya zvinoita pamovie yaSiyoyo kune
vakamboiona. Ndofunga munoiziva sound
yekuchema kwezvikiti zvacho ndizvo zvaive
zvoitika pamba pangu zuva rega rega
rakasikwa naMwari.

Ndaiti ndikashandisa mushonga wangu


kupumha ngozi ndichiti kuda zvinganyarare
yoweeee ndaiita fanika ndatonokwereta
nezvikiti zvemuraini zvese nezvana
zvemuvillage.

Ndakaramba ndichida kumboomesa chisoro


apa kwaitova kunyara chaiko kutsvaka rubatsiro
nezvaive zvaitika.
Ndakazoona kuti iyezvino ndaigona kufa chero
nguva and chero dai ndaifa kudenga
ndaisambokuenda nenyaya yemhaka dzangu
dzaive dzakandikomba. Handigoni kana
kudzitsanangura mhosva dzandaive ndakaita
nekuti zvakawandisa kani kana mozogara zivai
kuti n'anga dzakatakura kurema ndipo pamusha
pehugan'i chinhu chinonzi n'anga.

Rimwe zuva ndakarota Mai vangu vakafa kare


vachindituka vachiti "unoda kufira mumba here
watadza nei tsvaka kwaunoenda kunobatsirwa.
Ndiwo mukana iwoyo wauri kupihwa kuti uende
unochena pamberi paMwari. Unoti ukafa
wakadero handiti vanhu vanotadza kuzofamba
nzvimbo yavo nekuda kwezvinhu zvako. Kandi
wakafuza ani uye wakazviwanepi ini mai vako
ndakafa ndiri muchena wevachena vose."
Ndakazoti dhuuuu ndega kufunga kuti asi
ndinoshinga kusvika kupi shuwa ini ndave
kunhuwa ndiri mumba . Munoti harisi iro
gehena racho here irori randiri kuripira matadzo
angu.

Musi iwoyo ndakazoti charovedzera


charovedzera ndokumuka ndichinanaira kuenda
paive nerimwe sowe painamatira vapostori
vaMwari sezvo chaive chishanu. Ugoona
ndaisigaro bvoronga vanhu vepa sowe ipapo
ndichivashinhira nezvinhu zvangu.

Ndaive ndichitori nemhiko dzangu ipapo


munongozivawo mabasa en'anga ahina
chaisingagoni kuita.
Ndakananaira hangu paya kuenda kuya
kwaisave kure zvako asi paive nekamufambo
zvishoma.

Ugoti nhunzi zvadzaive dzondiita


munongonzwa kani ko handiti maronda aya
aive okanda mweya here?

Ndakasvika pasowe paya pasina kana munhu


ko handiti ndaive ndamukira here?

Kudogara kana munhu akauya zvekuti


zvakapedzesera zvandinetsa ndakatombofunga
kuti kuda mheno kwavaenda kunonamatira.
Zvino vaizowana hangu ndakafira ipapo ko moti
ndaive ndichakwanisa kufamba kudzokera
kumba here?

Zvakazokunda ndokurara hangu pasowe paya


kutobatwa nehope chaiko apa nguva dzaive
kumapast 8.

Ndakazochitanga kurota ndakakombewa


nevanhu vaive vakapfeka zvichena zvega zvega
apa vachiimba kwete zvekutamba. Ndichirota
kudaro ndaona mberi kwangu kwaita dziva raive
nemvura yakachena kuti mbuuu , ndokunzi
fambai muyambuke umu. Ndakatanga
kutsunzitira kupinda mumvura muya asi zvaive
zvekushingirira nekuti ndaive ndokundikana.

Pandakangoti gumbo rekutanga churi kutsika


mumvura muya ndakaona nhunzi dzese dzaive
dzakandimomotera dzichiwira mumvura muya.
Ndakazopinda namakumbo ese ndipo
ndakatanga kufamba kuti ndiyambuka ndave
pakati pemvura iya ndikaona heyo yauya nyoka
yangu ndara yandaituma kunovhiringa vanhu.
Apa yanga yakatsamwa sei yakasvika ichida
kunondikobora musoro chaiwo ko handiti
yaibhururuka.

Ndakaridza zimhere ndirimo mumvura muya


ndipo ndakabva ndangopepuka.

Pandakapepuka paya ndakashamisika kuona


ndakakomberedzwa nevanhu vepasowe apa
uku vachiimba zvaityisa.

Ndakangonzwa ndave kuzhuva nedumbu


senyoka kana kuti sehove. Apa ndaive ndozama
kutsvaka kwaive nemvura kuti ndisvetuke
ndipinde nekuti ndaive ndonzwa kutsva
zvakanyanya.

Ko kuzoti pamaronda paya ndaive ndoita fanika


ndaive ndichibaiwa baiwa nemuururo
wakatsvuka kuti piriviri.

Haaa ndaive ndonzwa kuda kutomira nebesu


chaiko kuti ndirove pasi ndakananga kumvura
zvangu zvanga zvauya manje nekuti apa
ndanga ndazozvitenhera mugehena chaimo.

Ndakatanga kutenderedza ruoko mudenga


katatu ndaiziva kuti ndikangodaro chete ndobva
ndatoflaya kurova pasi. Ipapo ndakangonzwa
kurohwa nemvura kumeso ndipo ndakati rikiti
pasi kudonha handina kuzoziva kuti
zvakazofamba sei?

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq
Her own decision

💓
By Linda aka Mai Peace

0616317489
Chapter 40

*Mbuya vaDhela*

Ndakazomuka paya handizivi kuti ndaive


ndatora nguva yakadii uye zvaiitika nguva
yacho ndaisazviziva.

Ndakamuka hembe dzaita kunyorova


nekumwaiwa mvura asi muviri wangu ndaive
ndave kunzwa zviri
nani. Chero maronda angu anga asisanhuwi
zvinongoita mwari zvinongoshamisa.
Vanhu vakazonyarara kuimba ndokupihwa
tsananguro dzangu dzanga dzakaoma sei asi
paive pasina zvekuita kwaitongova kushinga
nekuti kana wateya mariva murutsva hauchatyi
kusviba magaro.

Ndakaudzwa kuti kana ndichada kurarama


ndaifanira kutotendeuka ndonamata nekuti
ndakanzi izvezvi kusvika kumba kwandichaita
ndinowana zvinhu zvangu zvakandimirira kuti
zvindiuraye nekuti ndauya kuzozviita kuti
zviurawe.

Saka ndaitofanira kutendeuka kuti ndiwane


rubatsiro rwakasimba nekuti panga pasina
kumira zvakanaka.
Ndakazotaura kuti ndaitoda kubatwa musoro
musi iwoyo chaiwo nekuti ndanga ndatambura
zvakanyanya hazvina zvazvaindibatsira
kurarama muurombwa asi ndisina zororo.

Vakaramba kundibata musoro musi iwoyo


hanzi tangai mauya nezvinhu zvenyu zvopiswa
toziva kuti mave kuda kunamata zveshuwa
tozokubatai hedu musoro.

Vakazondipa
minamato yandaifanira kusviko kusha
pachivanze changu kuitira kuti ndinowana
kurara asi ndaifanira kuzoenda nehurombwa
hwangu hwese kuitira kuti Mwari
vandisunungure.

Haaa ndakazoenda kumba ndave kutonzwa


zviri nani , ndakasviko shandisa munamato
yangu sekuudzwa kwandaive ndaitwa.
Musi uyu ndakarara dzeumambo chaidzo kana
kumbonzwa zvikiti zviya nezvana kuchema.

Haa ndakavatenda vanhu vaMwari vaive


vandibatsira zvakanyanya ndaive ndave dhuze
kufa asi nekuda kwaMwari nhasi uno maronda
aya ave kutopora chero pamba pave nerugare.

Mazuva aifamba zvinhu zvanga zvave kuendeka


ndanga zvino ndachinyatsogwinya ndave
kuzvishandira muviri wanga wave bho hapana
paive pachandirwadza.

Friday yakazosvika , ndaifanira kuenda


kuchurch asi ndakazvinzwira usimbe ko
ndaiinda kunodii hangu ini ndaive ndapora.
Handina kuziva kuti kusaenda kuchurch
ndichifunga kuti ndapora ndaive ndazvinyepera.
Kana wada zvaMwari unofanira kutomuda
nemoyo wese kwete kuda kupedza dambudziko
rako chete woti zvavharana. Chinzwai
zvakazoitika mushure mekunge ndisisadi
kuenda kuchurch kuya.

Ko satan chinomiraka newe kuti uone fanika


wakangwara kana chaona zvaipa chinobva
chati nzveee zvacho apa chinenge chakusiya
mumatope chaimo.

Vhiki repiri mushure mekunge ndarega


kuzodzokera kusowe kuya zvikati zvatanga.
Musi uyu pamba hapana kurarwa guys ndaive
ndoita fanika kuzvinyaradza kwandaive
ndambozviita neminamato ndaiive ndoita senge
ndanokoka zvimwe kuti zvichiuya zvakawandisa.
Apa ndakatoona kuti ndiko kwatove kufa
kwangu chaiko panga pasisina kumira mushe.
Imwe Friday yakazosvika ndapfidza, handina
kumboda kumuka ndichibata chimwe chinhu
ndakatongomuka nekunanga kusowe kuya apa
ndanga ndachizvipira manje zvekurevesa.

Ndakatosviko mirira vanhu kuti vasvike


ndavapo kare. Vanhu vakazosvika havo church
ndokutanga , kungotanga kwakaita sowe
handina kumboda kupihwa mukana
ndakangoudzwa kuti dzokerai munotora zvinhu
zvenyu zvose musawana chamunosiya ndiko
kuti tikubatsirei.

Aaaa zvanga zvakaoma kani ndainozvitora


ndikazvigona here nekuwanda kwazvo uye
zvaizondipedzesa. Munongozivawo mabasa
en'anga kuti inenge ichirapa asi kazhinji inenge
yakatorombawo zvekushinhira vanhu kuti vauye
vazorapwa ichiita mari zvayo . Ko ndizvo
zvinoita n'anga zhinji inokukanda chitsinga
ichiziva kuti uchatomhanya kwairi kunorapwa.
Kana kurovesa muti uri pamba pako nemheni
ichiitira kuti umhanye kwairi kuti izogadzira
pamba, izvo inenge ichiitira kuita hayo mari.
Ndiwo muraramiro wen'anga zhinji.

Ndakazongovabudira pachena kuti


ndaisazvigona ini ndaive ndatove kuzvityawo
nekuti zvanga zvakawandisa.

Vakazoti vaisakwanisa kuenda neni asi


chavaigona kundibatsira nacho kundipa
munamato wekuti zvisazongondikuvadza kana
ndave kuzvitora.
Izvi zvose zvaifanira kutoitwa musi uyu vanhu
vasati vabva pasowe saka pandakangopihwa
muteuro uya wekunoshandisa pakutora zvinhu
zvacho ndakabva ndatopinda munzira. Ko
zvaive zvichada kunonokerwa here simbi
inorohwa ichapisa zvanga zvandikundawo ini
ndanga ndoda kuzvinamatira manje kwete zviya
zvekuhwanda nenguwo chena asi zvekunamata
zvekurevesa chaiko.

Ndakasvika kumba kuya ndokushandisa


muteuro wangu semaudzirwo andanga ndaitwa.
Ndokuchitanga kututira zvinhu zvangu musaga
aaaa saga kuita kuzara nekutongosara
zvakangodaro. Ndakatozomira kuramba
ndongotutira nekuti ndaizotadza kurisenga.
Munongoziva mabasa en'anga kuti inoshandisa
zvinhu zvakawanda sei saka zvose ndaitofanira
kuenda nazvo.
Saka ndakazotakura zvandaikwanisa
ndokuenda nazvo ndakati ndichisvika nazvo
vanhu vese pasowe kuti jiiii meso kwandiri
kuratidza kushamisika vaive vongotarisana
nechemumoyo zvangu ndikati mati maonei
kona ndisati ndatanga.

Ndakasviko miswa nesaga rangu nechekure


ndokuuya varume vashanu kuzopisa.
Ndakavaudza kuti ndanga ndisati ndapedza
kuzvitakura vakati dzokerai henyu munotora
zvacho zvasara, tinosara hedu tichishanda
nezvamauya nazvo izvo tozopedzisa
zvamunenge mauya nazvo.

Ndakasiya zvotobatidzwa nemoto ndikati regai


ndiite zvekumhanya chaizvo kubva panzvimbo
apa ndaitya kuti zvinozopunyuka zvikanditevera
kuzondirakasha. Musatambe nendofa imi
vanhu ava ndaive ndatya muteuro wavo
kupfavisa ndofa chaiwo. Pavandipa ndanga
ndisina kukugutsikana asi ndazogutsikana now
pavave kuzvipisa wena.

Ndakasviko loader futi rimwe saga apa ndaive


ndachitora zvese manje asi ndakatanga
ndatenderara dzimba dzese kuti ndinyatsoona
kuti handina chandasiya here?

Ndakazonyatsobata chokwadi kuti ndainge


ndatora zvese, ndipo ndakatakura saga rangu
ndoenda nazvo.

Haaa ko kumasowe vanombotamba here


havana muti unoera sanhu ndakawana
zvekutanga zviya rangova dota. Ndichingosvika
nezvimwe vachingozvipisa zvakare kana
kumbotya kana kumbovhunduka zvavo.

Ndakachizoenda pasowe ndokubatwa musoro


haaa ndanga ndatove madzimai sekutamba.
Zvinhu zvinosanduka guys godobori kusanduka
kuve madzimai iiii chokwadi denga rine nyasha
nevanhu varo. Ko waizodei ndakabva
ndatopromiswa kupihwa magemenzi nevamwe
madzimai.
Ndakafara uye ndakavatenda vanga
vandigonera nekuti mari yekumatenga ndaive
ndisina dambudziko iri ranga randisiya ndiri
tsuro yemubook chaiyo yaifamba nekuvhurwa
kwepeji.

Ndaive ndisisa rovhi manje kusowe kwanga


kondiitira magemenzi ndaive ndazovigirwa
namadzimai vaya. Yoweee maizondiziva here
kuti ndivo mbuya vaDhela vaya vaiti kana
voshopera vopfeka zvitema uye kuisa
chikumba cheshato muhuro. Zvanga
zvakatodarika nenguva yazvo. Ndaizoseka
hangu kana voparidza vaibva vati Mwari
vanotendeutsa chero zvabhidha chaizvo kkk
ndaibva ndaziva zvangu kuti ndini ndiri kurehwa.
Ndaisambotsamwa nazvo nekuti vaitoparidza
chokwadi chaibatika.

Kufamba kwenguva ndaivewo ndatove


muratidzwa mumasowe muya aaaa pedzisire
ndatove muporofita zvanga zvoendeka kani.

Kana mozogara zivai kuti hakuna chivi


chisingaregererwi naMwari kana uchinge
wareurura ukazvipira kwaari.
Ndaive ndave kuita zvekubatsira vakazvitakura ,
kubatsira vana vadiki panhova uye kucheka
masare nekukwesha nyora. Ndaivewo
ndotozikanwa kuti kana zvanetsa zvaitonzi
endai kuna madzimai vaya vechikuru muprofita
vakubatsirei

Basa raMwari ranga robatwa zvino kana


kudzidzisa madzimai echidiki magariro
mudzimba ndaimbozama zvangu handidi
kunyepa.

Kuipa kunosanduka ukave mutsvene weva


tsvene chakakosha ngatirege kunyara kuti ko
vanhu vanozonditii ?

Enda chete pana Mwari wako nezvese


zvawakabata kunyangwe zvichirema sei enda
nazvo. Ko ini ndakaenda nemasaga maviri wani
asi nhasi uno ndave munzwi wengoni and
ndinobatsira nemoyo wangu wese. Kunyangwe
chinonzi nhamo ndave kutoinzwira pamanext
door. Vana vangu vaive vandiramwa now
vakadzoka vese tave chinhu chimwe chete
vamwe vari kunze kwenyika kana chiri chakafu
nezvekupfeka regai ndinyarare zvangu
munozoti mbuya vaDhela vave kutishainira.

*Brian*

Nguva dzakadzokera mhama


ndakambobatikana zvakanyanya kuti kandi
mhamha mweyai chaizvo waivashandisa
pazvese zvavaiita. Ummm moyo wangu
wakambobatikana zvakanyanya asi
ndakazoona hangu kuti kutaura kwese kwavaita
vari kuratidza havo kurevesa hameno kana vari
kutivhara but vanenge vachitovhara Mwari wavo
hameno zvavo.

Ndakazongoti hameno Mwari zvamunenge


maronga ko ndaigodiiwo ini ndiri mwana. Mai
havarambwe and futi mai havanangwe uroyi
kana chihure. Zvamai ndezvekungotarisa
nemeso kudai nekuti ukada kurebesa muromo
mangwana zvinofuma zvokuomera watanda
botso. Ko kutanda botso hakusi kurova chete
chero mukutaura chaimo mune amwe mashoko
ekuti ukataura anokonzeresa futi kutanda botso.

Chifumi chamangwana mudhara vange vave


boe zvavo zvekuti takatomuka tichiburitsiwa
hedu ndokuvananaidza hangu kuenda
kunokwira bhazi.
Ndakabva ndatongokumbira driver webhazi
racho kuti avawanisewo nzvimbo nechekumberi
nekuti ndaivatyira kuti vakagara kune
mabhambu hazvaizomira mushe muchipfuva
mavo. Vaigona kuzodzimbirwa zvikave zvimwe.

Haana hake kunetsa driver wacho akabvawo


angokumbira umwe mukomana kuti anogara
nechekumashure ndipo mudhara vakazogara.

Takafamba hedu zvakanaka ndaipota


ndichinovatarisa nguva dzese nekunovapa
chikafu sezvo ndaive ndakagara kumashure.
Takazosvika hedu ndokuburuka tonanga pamba,
paive pedo zvapo. Sifiso ndaive ndamufonera
makuseni kuti tiwane ari kumba nekuti ndaiuya
namudhara zveshuwa takawana aripo
achitoshina shina hake mwanasikana.

Anga atopedza zvese kubika kudziisa mvura


dzekugeza ummmm mwana anga akarongeka
hake iyeye.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq

Her own decision


💓
By Linda aka Mai Peace

0616317489

Chapter 41

Sifiso

Takadzokera kumba uri mufaro wega wega ko


taitadza nei kufara ivo sekuru vemwana wangu
vamuka.

Takasvika hedu kumba ndokurara, ndakamuka


ndichienda hangu kuchikoro. Dzave kuma10
ndakazofonerwa nabrian achiti baba
vangogwinha gwina pasvika mhamha izvozvi
ma1 chaiwo. Moziva ndakarwadziwa hangu
handidi kunyepa inyaya yekuti tezvara vangu
vaive vanyanya kurwadziwa nezvaiita mhamha
asi vaifanira kuve nemoyo wekuregerera inga
bhaibheri rinoti mukadzi aharambirwe uroyi
wani.

Tinongoziva kuti mukadzi anorambwa kana


achinge apomba chete. Saka zvaingoda kuve
nemoyo murefu uye kuziva chete kuti Mwari
ndivo vanotonga. Apa kutaura shuwa sekuru
vaTawe ngavazvidzore vakaita zvekutamba
vanofa vari ivo shuwa. And ivo mhama vacho
vakatosiya mabasa avo saka vachenjere
kuzvitakudza mhosva isi yavo. Chakangokosha
muhupenyu kutaurirana nekunzwisisana uye
kuregererana.

Ndakazodzokera kumba pabreak ndaida


kunoudza mai Tine kuti titobata munamato
nekuti zvanga zvisisina kumira mushe kuna
sekuru vaTawe.

Takaita sekudaro ndokutanga kunamata nguva


iyoyo asi mai Tine vakataura kuti vanopora
varwadziwa chete kuvaona nezvose
zvavakavaitira hazvisati zvabuda mumoyo
mavo.

Rechimangwana Brian akazotaura kuti baba


vave nani plus akati vaitouya vese nhasi , saka
ini ndaifanira kuenda kumba sezvo mhama
vainge vasiko.

Ndichingobuda chikoro ndakabva ndangonanga


kumba kuya ndakatora mwana wangu nehembe
dzekunochinja mabook ndakasiya hangu,
ndaizongodarika ndichimatora ndichienda
kuchikoro.

Mai Tine vakasara havo naTine wavo asi vakati


vaizouya paweekand kuzovaona.

Ndakasvikoita chop chop kugadzira pamba


zvese nekuita zvaifanira kuitwa sezvo panga
pave nemazuva pasina munhu. Munongopaziva
kuti pamba pakaita nguva pasina munhu kuti
panonyangara sei.
Asi handina kutora nguva kupedza basa rese.
Ndakapedza hangu ndokutochitanga kuita
zvemabook angu. Now ndanga ndoda
kudzokera pazvangu zvakare chaizvo, panga
pasisina chichanyanyondidya moyo sezvo
sekuru vaTawe vainge vave nani. Kurwara
kwavo ndiko kumwe kwanga kondidzosera
kumashure zvakanyanya.

Asi imwe nyaya yaive yodo kunditi netsei inyaya


yekubva kwambuya vaTawa pamba iyi nyaya
yaisandisunungura zvachose.

Hongu tanga tayanana hedu asi inini l was


feeling bad nekubva pamusha pavo izvi
zvichikonzerwa nekuda kwangu.
Munoti dai ndisina kuuya mumusha mavo
zvaimbozoitika here zvese izvi, iyi nyaya
yaifanira kuti paonekwe zvekuita vakasadzoka
better ini hangu kufamba nenyika nemwana
wangu nekuti moyo wangu ahufi wakawana
zororo.

Kwave kumazuva rodoka ndipo pakazosvika


vekuchipatara apa ndaive ndakatofizuka zvangu
nepfungwa. Lucky racho ndanga ndapedza
hangu basa rese zvekuti vakangoti vachisvika
tichitobvunzana mufaro nekutodirira baba
mvura yekugeza. Ndakabva ndangonoiisa
kubathroom.

Vachipedza ndakabva ndangoisirawo Brian


yoooo shasha yakafara kani musi uyu wega
waingoona kuti kwafarwa kkkkk it was my first
time kumudirira mvura yekugeza regai afare
shuwa.

But kumuisira mvura hakurevi kuti tatova


murume nemukadzi semunhu airwarirwa
ndaifanirawo kutomubata zvakanaka kuitira kuti
arerukirwe.

Ndakazopa hangu sekuru vaTawe chikafu


ndokudya havo apa shasha yakati ndoda kudya
nemuzukuru wangu ndikati aaaa regai
zvakadaro handiti ndivo vazvisarudzira havo.
Zvino Tawe chacho chaikara nyama ndakaona
chobikura zinyama hombe ndikati Tawe ndicho
chii ichocho uchidya nasekuru dzorera kasira.
Sekuru vacho vakambozama kuda kuti murege
akadaro asi zvaisaita kwaitova kukanganisa
mwana chaiko. Ko ndikazofamba naye ndivo
vana vaya vanozonyadzisa mudzimba dzevanhu
nekuti anenge agara akaregererwa kare.

Ndakabva ndatomuudza nguva iyoyo kuti siya


nyama ahunhonge wega uchapihwa nasekuru.
Akabvawo angodzorera but sekuru vacho
vakaratidza kubowekana nekumudzoseresa
kwandaive ndaita. Ndakazoona gare gare vave
kumunhongera futi nyama iya
yandambomurambidza aaaa ndakaboweka ini
ndiko kuda mwana here kana ndofamba naye
vanhu vanenge vachingoti akajaidzwa mwana
uyu namai vake izvo kwaani iyemi vanhu
vakuru ndimi munoita kuti vana vajairire zvisina
basa. Ndepapi paungazoenda naye kumba
kwevanhu akanobvuma kudya nyama diki
handiti anenge atojaira kuti sekuru vangu
vanondipa zihombe. Saka ngatigare tazviramba
izvozvo vana Mai nekuti anonyara ndiwe nekuti
mwana anofamba newe.

Ndakamupa ziso riya rekuti siya Tawedzerwa


akabvawo angodzosera mundiro muya
achidzungudza musoro kureva kusada nyama
hombe iyoyo.

Sekuru vacho vakachizomuti chitora yaunoda


muzukuru wangu iye ndokubva anhonga piece
diki ndikati good mwanangu ndidzo tsika
dzandinoda idzodzo.
Sekuru vacho vakazoseka havo vakati inga muri
kumudzidzisa zvakanaka asi kana ndiri ini
ndinaye kudai mirai henyu zvezvimitemo zvenyu
nekuti mwana uyu ndiye zvese zvangu ndiye
wandakaregera kufa iyeyu zvekuti dai ari
mukomana achitodeedzwa nezita rangu.

Aaaaa sekuru vaTawe vaitonakidza


zvamunoona zvino vaisafamba naye mwana
ahadi kujaidzwa kuita zvaanoda vamwe
havazvide mudzimba dzavo izvowo hazvina
hazvo kunaka.

Vakazopedza zvavo kudya munhu wese


akagadzirira zvekunorara. Tawe aive asisadi
kusiyana nasekuru vake ndakati hameno ikoko
ndokunowaridza hangu muspare mangu muya
mandaimborara ndichagarapo paya.
Brian aizonorara nasekuru vaTawe handiti
vaisanzwa zvanaka hre zvaisaita kuti arare
muroom make ivo daddy vake vasati vave boe.

Ndakazorara hangu but Tawe handina


kumbomutora akabva angorara ikoko nasekuru
vake ndaimudira hangu kuti aive smart mwana
wangu aisaitira weti mumagumbeze anga
akazvirega kare achine 9 month.

Ndakarara hangu but Brian aitonetsa pafon


hanzi ndikuda kuzorara ikoko newe. Ndiudzeiwo
nyangwe ndimi munhu achirwariwa apa ari
kutofunga pfungwa dzakaora.
Ndakangomupindura nekutodzima fon yangu
anga atotanga kuda kundikanganisa chikoro.
Ndakamuudza kuti nyaya yako iyoyo
wozoitanga kana ndapedza chikoro uye ndave
kushanda. Aaaaa ndiudzeiwo kana ndimi anoti
ndanga ndakanganwa zvazuro nehope here?
Brian aitove murwere wepfungwa chaiye
ndakatoona kuti ndikamusekerera
ndaitozotadza kana kuchipedza chikoro chacho
saka chero makuseni ndaifanira kutomupfekera
face yebasa chaiyo.

Ndaida kuti asambofe akazvitaura futi nenhamo


yandakamboona iya ndoita zvisina basa.

Mazuva akafamba Brian ndanga


ndamudzikamisa manje anga ave mumuforo
chaimo kuita munhu kwaye chaiye. "Hanzi
ndakumbokupa nguva yekuti uite zvechikoro
uye iyewo achiitawo zvechikoro asi hanzi
handidi kuona munhu anotambira pedyo newe.
Hanzi usambofe wazviedza hako sifiso nekuti
ungaone rimwe side rekuipa kwangu." Ko ini
ndaimbove nadzo here pfungwa dzacho
aitozvipedzera hake nguva kufunga zvisingaiti.

Sekuru vaTawe vanga vave nani kutova right


chaiko. Ini kuchikoro ndaienda hangu sezvo
urwere hwanga hwave better. Kana iye Brian
anga ave kuendawo kuchikoro taitosangana
pamba manheru. Tawe ndainomusiya kuna mai
Tinevimbo ndozomutora ndodzoka kubva
kuchikoro todarikira hedu kuenda kumba.

*Mbuya vaTawe*
Zvandaifunga ndizvo zvakasvikoitika
ndakakwatiwa veduwe kusekwa hanzi
nevaroora mune chishashaira tete manga
muchitienderepi hezvo murwere wevanhu anga
ogwinha gwinha ko dai anga afa zvachose
maizoita sei? Kkkk ndakaseka zvangu ndikati
ndaizongochemaka handiti munhu anenge afa
here nguva inenge yakwaniswa naMwari.

Haaa zvanga zvakaoma hazvo handina kumira


kufonera mwana wangu ndichibvunza varwere
kuti vave sei. Akandiudza kuti vainge vave
kumba plus baba Brian vaive vave nani chose.
Ndakafara nekuvanani kwavo nekuti ndainge
ndoda kunotuta mitundu yangu . Pakugara
ndaive ndave napo nekuti ndakazovakisirwa
chiboy skay changu 2rooms saka ndaifanira
kunotakura zvinhu zvangu ndowanawo
chekurongedza mumba mangu.

Ndaive ndangomirira kuti vandideedze kwacho


sekutaura kwavaive vaita.

Asi hapana shoko rakambotaurwa ndakatoona


kuti semurwere pamwe vatozvikanganwa havo.
Saka ndaifanira kutovayeuchidza nguva ichipo.

Ndakazofonera Brian ndichimuudza


nezvenyaya yekuti ndainge ndoda kuzotora
zvinhu zvangu sezvo baba vake vanga vangoti
ziii pasina kana shoko.

Iye akati aive kuchikoro saka aizonotaura navo


baba vake kana ave kumba manheru obva
andizivisa kuti vanenge vatii.
Manheru aya akazondiisira massage achitaura
kuti vainge vati ndiuye zvangu kuzotakura
zvinhu zvangu. Saka paive pasina hurongwa
hwekuti vaizonditakururira ndakatoona kuti
better kutotsvaka mota yandaienda nayo
kunotakurisa zvinhu zvangu.

Muvillage medu maive nevamwe baba vaive


nemota yavaishandisa kutakurira vanhu
chibage vachiendesa kuGMB uye mabhero
kuendesa kumacompany aitenga cotton
munzvimbo medu.

Pandakasvika ndichitaura zvekuda


kunotakurirwa midziyo yangu vakatofara sezvo
nguva yekukohwa yanga isati yakwana.
Mafariro akaita baba ivavo hana yangu
yakatomborova kuti ndogona kudhurisirwa
nekuti zvaive zvaratidza kuchona chaiko.

Ndakazoshamisika votaura mari


yandaizambofungidzira chero neni wacho.
Handina kuda kumbotaura chimwe chinhu
ndakatotora mari nekuvapa sezvo ndaive
ndabva ndaitakura.

Vakazotaura kuti taizofumira kuenda


mangwana acho makuseni seni.

Ndakadzokera hangu kumba kwehanzvadzi


yangu hombe ndiko ndaive ndavakirwa imba
yangu. Zvaidadisa shuwa nekuti ndaisafungira
kuti ndichazogarawo zvakanaka kudaro
nevaroora vangu kunamata kwakanaka shuwa.
Ukaona usingaendi kuchurch wakarasikirwa
nekuti wakangofanana nemunhu akatofa zvake
nekuti unenge usina chaunoziva uchirarama
muzvivi uchifunga kuti uri kugona. Ini pachangu
ndainzwa kufara and ndaitoitenda nguva
yandakamborarama muchakaipa nekuti
zvakaita kuti ndizive Mwari uye ndimunamate
nemoyo wose.

Upenyu hwekunamata hune manyawi unoita


fanika uri kudada kana uchiparidza shoko
raMwari asi unenge zvako kusiri kudada. Kana
tavemo musvondo munombozotiziva here kuti
tisu vanamai Brian vaya vekugarisa vamwe
nzima aaaaah mharidzo yairohwa pano. Nekuti
ndaiti kana ndoparidza zvangu kana madhimoni
aibuda achienda ndaive ndisina zvangu chipo
chemweya mutsvene asi ndaiparidza
zvainzwika nedenga. Asi chinhu chikuru
chandaive ndisingadi kuva bridge izvozvo
ndizvo zvandaive ndakatsidza kuti ishe hongu
ngandive bridge ndiyambutse nekutendeutsa
vamwe nemharidzo asi neni pachangu
ndizovawo mukundi achazogara nhaka yenyu
yekumusoro kudenga. Kana nemi vanhu
chenjerai kuve mabridge munofa mukaraswa
sadhongi mheri asi imi maive vatungamiri
vedzisvondo asizve maive imi vakuru vekuita
zvakashata. Kana tiriko vakadero ngatisiyei
tsika iyoyo tiite seni hangu Mai Brian ndakainda
mbiri yekuipa asi nhasi uno ndakasiya zvese
zvenyika ndave kushandira Mwari wangu
nemoyo wangu wese. Kana tafunga kuve vedivi
rehumambo ngative vakundi zvemazvirokwazvo,
tisati gumbo munzira gumbo mudondo tinenge
tichizvitsotsa paya.

Mangwana acho ndakamuka ndichigadzira


zverwendo rwekunotora midziyo yangu
ndainzwa kufara kani nekuti ndaive ndisisina
munhu wandaive nechigumbu naye. Hameno
kana aive ariko aive achakandibatira chigumbu
yanga yave yekwake naMwari wake ini naMwari
wangu ndanga ndakamuchenera zvemazviro
kwazvo.

Ndakaenda pamba paya ndokuwana


vatondimirira , handina kumbosviko pedza
nguva ndakatopinda mumota nekutorova pasi.

Mota yaizvifambira zvayo iyoyo zvekuti pasina


kana 4hours tainge tatove munzvimbo yana
Brian asi tasara mbichana kusvika mota
yakabva yangodzima nekutomira ipapo.
Zvakandinetsa kuti ko chii chaive chaitika
muridzi wemota akaburuka ndokumbozama
kuibata bata neumwe wake waaifamba naye asi
hazvina kubatsira chinhu mota yakaramba
kumuka.
Haaa zvimwe unongoona kuti satan chinenge
chiripo pakuvhiringidza upenyu hwako
nehurongwa hwaunenge uchitoda kuti huitwe
nekukasika.

Vakazoti vave kutofonera munhu wavo


anovagadzirira mota asi aitova kuCentre zvekuti
aizotora nguva yakareba asati asvika.

Anga achitori ma1 angu zvino ndaizogara


ndikasvika nguvai ndakamirira kuuya
kwemunhu wacho. Ndakazofonera hangu Brian
kumuudza dambudziko randaive ndasangana
naro akabvunza kuti ko muripi ndipo
ndakamuudza. Akati ko inga matosvika wani
mhamha.
Ndakamuudza kuti hongu mwanangu asi
hazvigoni kuti ndisvike pasina mota baba vako
vanozorohwa nehana vakaita zviya zvino
ndikasvika nemota hazvizovashamisi vanobva
vangoziva kuti ndauya kuzotakura hangu
midziyo yangu.

Akazoti ok mhamha pakanaka toona masvika.

*Brian*

Zvanga zvakaoma hazvo haungapindiri nyaya


dzevabereki asi kutaura chokwadi ndanga
ndonzwiswa tsitsi namai vangu uye kutonzwa
kuvarwadzirwa zvakanyanya. Hakuna chinhu
chinorwadza sekuona mubereki wako
achishungurudzika ndakatodemba zvangu kuti
dai ndine musha ndaizotora Mai vangu ndogara
hangu navo asi panguva iyi ndaive hangu
ndisina changu saka hapana chandaikwanisa
kuita. Ndakazoenda hangu paisuka sifiso
ndokumuudza nyaya yaivepo musi uyu yaive
Saturday saka tese taive pamba.

Ini handina kuzodzokera kubording nekuda


kweurwere hwababa.

Ndainge ndave kudzidza kuya kwandaive


ndambosiiswa namudhara zvaive nani nekuti
ndaienda ndichidzoka. Asi ivo mudhara vange
vave boe zvekuti vaivewo votoenda kubasa.
Ndakasviko paya paive naSifiso ndokumuudza
zvaivepo handina kumbotya kumuudza nekuti
aigaro taura nezvamhamha kuti aive avaregera
nemoyo wose.

Pandakapedza kumuudza nyaya yacho


akaratidza kubatikana zvakanyanya. Akazoti ko
wadii kuudza daddy Brian pamwe vanogona
kuti mhama vauye vagare havo vachimirira
kugadzirwa kwemota.

Ndakaona iri pfungwa kwayo ndokuenda hangu


kwaive kwakagara daddy vachitamba
nemuzukuru wavo. Ndakasviko ndokutanga
hangu kutaura dzimwe nyaya ndaive
ndotoshaya kuti ndoitanga sei nyaya yacho
nekuti mudhara vaisada kuenderwa mberi .

Ndakaita nguva ndichingoshaya matangiro


ndakazongorovera moyo kudombo
ndokuvaudza kuti mhamha vaive vauya
kuzotakura mutundu yavo asi mota yaive yafira
pedyo. Vakangopindura kuti horight
nekutonyarara zvavo, ndizvo mudhara
vainetsera vainyatsokuita kuti upere pendi yose
and unoshaya kuti woenda mberi sei nenyaya
yako. Anombobvunzawo kuti ko yafa sei ari
nani kwete kungoti horight ndiye ziii zvavo.
Chero uri iwe waizoitawo sei pakadero.

Ndakazongoshinga ini ndikati Mai Tawe ati


akunovatora vasano havo kuzomirira mota vari
pano nekuti nguva yareba vachingova kusango.
Ndakaziva zvangu kuti ndikati Mai Tawe pamwe
zvaizoreruka asi ndaitotaura shuwa nekuti ndiye
aive ati ndiudze mudhara.
Ivo mudhara pavakanzwa ndati Mai Tawe
vakabva vati zvive zvakanaka Brian
musakanganwa chazuro nehope remember Mai
venyu inyoka handidi kuzokonzereserwa
zvimwe pano zvive mune zvakanaka
tanzwananaka. Pakawana chinoitika this time
handimo munyaya dzacho hezvo ndanga ndofa
nekuda kwamai venyu ivava. And kutaura
chokwadi pasawane chinoitika zvakangodaro
uchabva pano namai Tawe vako ivavo kana zviri
izvo zvamuri kunyengerana.

Chiitai muitiro wenyu wamaronga kare ini


ndabuda mazviri nekuti ndini ndatove muipi
pano.

*Baba Brian*
Kutaura chokwadi Mwari ngavandiregerere
zvavo nekuti ndaive ndisisadi kuona chinhu
chinonzi Mai Brian kumeso kwangu nezvese
zvaaive akonzeresa muupenyu hwangu. Ndaive
ndarasikirwa nezvinhu zvakawanda muupenyu
hwangu nekuda kwake. Asi vanhu vaisazviona
kunyanya iye Mai Tawe naBrian wake. Zuro
ndizuro aive opengeswa, nini chaiye ndikaita
accident nekuda kwake futi Mai Brian zvimwe
handichatauri hangu zvakawandasa kani . Kana
iri senyaya yemwana wangu waakauraya iyo
haiperi mushe idii nababa vangu kudai.

Hazvina mashuwa kufa kwaita mota iyoyo


pamwe mabasa ake kuti awane kuzosiya aita
chimwe chinhu muno mumusha.
Anogumbura kani mukadzi iyeyu ndaisvikepi
nekuita kwake ikoku. Ndakazovaudza kuti
ngavainde vanotora mai vavo asi vaisasvika
mumusha mangu. Vaifanira havo kugara navo
kunze kwemusha kana vachipanana chikafu
vopanana zvavo ikoko. Ndaive ndotyirawo
upenyu hwangu ipapo musandishore
imbondisiyai ndakadero chakatanga ndicho
chakachenjedza.

Mai Tawe aive nemoyo wake veduwe kwava


kuuya kuzotenda kuti maita basa baba tave
kunovatora vangafa nenzara vanogara havo
pamumvuri uyo uri kumapeto kwechivanze.

Ndiudziwo chero ndimi ini ndichiti


ndavaomesera asi otouya kuzotenda kuti
wavagonera. Uyu mwana aitova mutumwa
wamwari mumhuri yangu.
Handina kuzvitsvaka ndakasiyana nazvo
ndokupinda mumba mangu ivo voenda kuna
mai vavo. Ndaisada zvaindinetsa ndakatanga
kutoburitsa hembe dzavo muwardrop ndaisada
kuti kana mota yavo yauya vanonoke
vachimborongedza zvendiro vaizozvionera vega.

Ndaive ndatove busy hangu nekurongedza


hembe dzamai vaya ndanga ndisisadi
zvinondikwidza bp.

Ndaitori bhoo kuzvigarira ndega. Chero


muroora wangu aripo zvose naBrian. Uyu Brian
anga adzokera kuchikoro kwake kwakare
ndakaona kuti zvitori nani nekurwara
kwandakasangana nako kwaitoda munhu pedo.
Asi now ndarecover zvangu ndave
kunyatsonzwa ndiri ini chaiye.

Ndakazonzwa chikweee kumumvuri kuya ini


hezvo saka vanhu vatojoinana ava kureva kuti
ini ndini ndasara ndega , manje handina basa
nazvo regai zvakadero.

Ko pane munhu angavenge mubereki wake here


chandisingadi chete kunzwa zvave zvimwe.

Ndakapedza kurongedza ndokumira kuti kuda


ndichanzwa mota kutinhira kana kumboinzwa.
Zuva rakasvika pakudoka mai vaya
vakangogara kunze kwemusha
ndakatombofunga kuti zvimwe idhiri ravaive
varonga rekunyepa kuti vawane madzokero
mumusha mangu.

Manje vaizvinyepera havo muno mave kudhura


kudzoka zvakatovharana.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq

Her own decision

💓
By Linda aka Mai Peace
0616317489

Chapter 42

*Mai Brian*

Ko zvazvanga zvatondiomera nhaimi mota iya


kana kumuka zvayo apa taive tigere hedu kunze
kwemusha kuita fanika vanhu vaya vauya
kuzooroora, vatadza kupinda mumusha nekuti
mari yavo yaramba kukwana.
Ndakazoti kuna Brian ngatimboendai tinoona
mota iya kuti yamuka here?

Takapinda munzira hedu toenda kwataive


tasiya mota iya apa ndaive ndakabata chizukuru
changu ruoko tichifamba hedu kwaive
kofambiwaka aisada kuberekwa.

Takasvika tikawana varipo asi naivowo vanga


vatopererwa neplan chero mechanic wacho
aive auya anga azvitadza kureva kuti zvaitova
nasatan mukati.

Ndizvo zvakaipira Satan chinoita zvimwe zvinhu


zvinorwadza zvakanyaya zvekuti unopera power
rese.
Ndaive ndapererwa kani vakazoti vaive
votsvaka mota yaizodhonza mota yavo
kudzokera kwakare chero ndimiwo apa ndaive
ndabhara mari. Apa kwaive kwadoka bhazi
rekupedzesera ranga ratoenda kare.

Kana vana vaive vapererwawo taive toshaya


zvino kuti todii uku baba Brian vaisada munhu
kumba kwavo.

Ndakambofunga kuenda kunovata kwasabhuku


asi ndakazofunga kuti sabhuku vaitove nehuori
saka ndakabva ndangosiya pfungwa yacho
nguva iyoyo. Ndakatombofunga hangu nguva
yandaitambisa ndichivapa mbudzi hwaitova
udofo chaiho nekuti ndaishandiswa nasatan
nguva yacho. Ko dai aisava satan ndingadai
ndakangomudza kuti ndinokurevera kuna baba
Brian ukangodero munhu watopedza masports
ese.

Ndakazoti kuna Brian namai Tawe vadzokere


havo kumba nekuti kwanga kwatosviba.

Vana vakashungurudzika vakati zvino ko imi


moita sei morara pai?

Ndakavaudza hangu kuti semunhu mukuru


ndaizoona zvekuita panga pasina yekutamba.

Vakamboda kuti handei kumba pakuti murare


muchitambura kudai, asi ndakaramba ndaisada
zvinokonzeresa. Izvi zvaitoda kunamata
zvinemasimba ndakatoona kuti patoita Satan
chaiye aida kuramba achikonzeresa
matambudziko asingaperi.

*Sifiso*

Zvanga zvakaoma kani kuti tisiye mhamha


vachirara musango zvaisaita kana nepadiki
pese ivo vaida kuti simbisa asi nini ndakaona
zvisingaiti ndakatoona kuti better kunotora
machira ndozorara hangu navo mudondo
macho sezvo panga pasina zvekuzviita.

Dzingauya here hope chero ndimiwo


uchinyatsokuziva kuti umwe munhu akarara
musango handioni sezvaiita ini.

Takadzokera kumba naBrian asi moyo wangu


waiita kupisa chaiko. Ndakatosvika
pakudonhedza misodzi nezvaiitika panguva iyi
zvaizopera riini uye sei? Ini kutaura chokwadi
shuviro yangu yaive yekuti mhamha vadzoke
mukati memusha wavo. Ndakazoti kuna Brian
andiperekedze kuchikoro panguva iyoyo pane
zvandaive ndafunga. Brian akamboda kunetsa
hanzi heee kunei usiku huno ndakamuudza kuti
pane book rangu randaida kunotora pane
zvandaida kunyora mubook imomo.
Akazobvuma hake asi zvaive zvekumanikidzira ,
ndakamuudza kuti hande tichisiya mwana kuna
mhamha asi aive oda kurambazve uyu munhu
ndaitomushaira pake kureva kuti aisarwadziwa
here namai vake kuti varare musango.

Takazonosiya mwana paya paive nambuya vake


ndaisatya zvangu kana chimwe chinhu nekuti
ndaiona kurevesa kwambuya vake kuti vainge
vasiya mabasa avo zvamuchose.
Mai Brian. : Ko mave kusiya mwana husiku
huno mave kuendepi vana vangu?

Zvanga zvotonzwisa tsitsi kani ndaive ndonzwa


misodzi yangu kutoda kubuda chaiko.

Ndakangozoshinga ndokuvaudza kuti taienda


pedyo taidzoka tichimutora.

Vakazotaura kuti muchenjerere musaita zvinhu


zvinozokukonanisai nababa venyu handidi
hangu kuuya kukupesanisai vanangu ndinoda
mugare nababa venyu zvakanaka. Baba venyu
handivapi mhosva kana nepadiki pese ini
ndinozvipa mhosva nekuti ndini ndakaita
musoro bandamba kuramba kuudzwa saka
regai ndionekwe nembonje ini muridzi wayo.
Mungadei madzokero kumba honai kwasviba
baba venyu vanozogumbuka vakakanganisika
zvakare.

Ndakatoona kuti ndikada kuti tirambe


tichiteerera nhoroondo dzamhamha
dzaizovhiringa mafungiro angu.

Saka zvinhu zviedzwa chembere yekwachivi


yakabika matombo ikanwa muto. Hameno asi
zvinhu zvese zvaingoda kutungamidza Mwari
mberi nekuti kuna Mwari hakuna chinoramba.

Takazosiya mwana uya ndokutotanga


kumhanya zvedu naBrian, ko taigonaka
kumhanya handiti taive vana vechikoro here.
Takasvika ndokuwana Mai Tine vave kutoda
kurara vakabva vangoti zvamafambira ndiri
kuzviziva makata chaiwo baba venyu vane
bundu guru mumoyo mavo nekuda kwezvaiitwa
namai venyu asi ndaona hangu pamberi apo
Mwari vasunungura zvinhu zvese zvave
kufamba negwara.

Chitorai muteuro uyu muende nayo izvozvi uyu


munonopa Mai venyu vogeza nayo kumeso
nekuti Mwari varamba kuti muranda wangu
ahangarari musango semhuka .

Umwe muteuro uyu woisa mukanwa iwe Brian


wotaura nababa vko uchivaudza kuti saka
mhamha vorara mudondo here nguva
zvadzaenda kudai?
Umwe uyu munonoisa mubedroom mababa
venyu asi unouisa uchitaura manzwi aunoda
kuti aitike pakati pevabereki vako. Kana uchida
kuti varambane zvachose unongotaura asi kana
uchida kuti vadzokedzane unongotaura saka
chiendai munoita sekutaura kwandaita.

Musatanga kusvika namai venyu mumusha


kwete munenge matoratidza kudherera kukuru
chaiko.
Munovasiya kunze kwechivanze paunopedza
kutaura nababa vako wobva wazoita
zvinotevera ndapedza nemi chidzokerai henyu .
Asi zamai kushandisa minamato sekureva
kwangu naMwari zvese zvinoita."

Takazotenda hedu ndokubuda mumba muya


todzokera kwatainge tasiya mhamha
nechemumoyo ndaingonamata kuti dai sekuru
vaTawe vadzorawo moyo wavo chokwadi.

Takasvika pavaive nemuzukuru wavo vaive


vakagara vakahurududu uku vakabata rushaya
muzukuru aive arara akabatwa pamakumbo
chokwadi zvainzwika tsitsi.

Takasvika pavari ndokuvarondedzera kwataive


taenda uye nekuvapa muteuro uya wavaive
vanzi vageze nawo kumeso patinoenda navo
kumba asi vaifanira kugeza vasati vapinda
muchivanze.

Pamuteuro ndipo pakaita basa vaisatombouda


kana zvavo zvachose.
Mom : Handidi zvinhu
zvinozokonzeresa mangwana uye hanzi
muteuro wacho ndewe kuti zviite sei
ndakuudzai kare kuti ndinorara chero muno
musango ko ndodyiwa nei sekune makava."

Zvamhama zvanga zvakatooma shuwa


vaisamborwadziwa kusiya musha wavo
chokwadi moyo wavo wanga watofuratira.
Ndakatozoita kushinga kunyengerana kutaura
navo zvakasimba chaizvo. Ndipo havo
vakazobvuma but zvaitova zvekuvasunda ,
tasvika kumapeto kwechivanze Brian ndiye
akazoenda kunotaura nababa isu namhamha
ndokusara hedu.

Pakaita nguva Brian asina kudzoka waingonzwa


mahon'era kuti mumba macho maive nenyaya
ndofunga sekuru vaTawe vaisatoda havo kuti
mhama vapinde mumusha mavo kunze
vachizotora mbatya dzavo.

Akazoti kwapera dzinenge 2 hours ndipo


akauya achiti hanzi pindai henyu mumusha asi
mugumire kukitchen ikoko.

Wow ndakafara at least zvanga zvava nani kuti


munhu orarewo mumba pakurara musango
zvaisaita kani veduweee.

Ivowo mhamha vacho kwaitova kuvaomesera


chaiko nekuti vakati vaisada kusiya vagumbura
vanhu vane misha yavo.

Ndaingonamata kuti dai minamato iyi yashanda


vanhu ava vadzokedzana nekuti paive pasina
ane shungu neumwe pakati pavo.

Takapinda mumba , ini day iri handina kutorara


kuroom kwangu ndakanotora machira angu
ndokuzorara hangu nambuya vaTawe. Asi
ndakakomekedza Brian asati anorara kuti
aifanira kuita plan nemunamato waaive anzi
ashandise achitaura zvaanoda pamusoro
pevabereki vake.
Ndakamuudza kuti aushandise fast kuitira kuti
tione chikamu chaizotevera. Taifanira
kubatanidza vanhu ava muchinyararire ivo
vasingazivi kuti ndiyo tsoro yatiri kuvarongera.

Kana munhu ati apfidza anenge apfidza


anofanira kungoregererwa hakuna munhu
asingatadzi asi munhu akatendeuka pazvitadzo
zvake ngaangoregererwa.

Sekuru vaTawe vanga voda kuita moyo


mukukutu usina basa zvino vachakaruka
vanyura murudo nambuya vaTawe
vasingafungiri regai muone musatambe
nemuteuro unochinja magiya.

Takazorara hedu tichiita nyaya kwakaposa


kuedza tisina kumbokotsira tichingoita nyaya.
Ko ndaimboziva kuti vamwene vangu
vanotaurisa zvakadero chokwadi rimwe
rinenge richitove dhimoni chairo rinenge
richishandisa munhu.

Takatozobatwa nehope tose kwave kutoedza


zvekuti zuva rakasvika pakubuda takangorara.
Takatozomutswa naBrian awona zvanyanya
akati ko nhai mai Tawe asi nhasi hatidyi here
pano honai dzotoenda kuma9 makangorara.
Ndipo takaita chipatapata chekumuka apa
mhama vakatoseka havo vakati ko zvandatove
muedzo pamba pevenhu ndanga ndichifanira
kudai ndatokwira kare. Zvichibva newe Mai
Tawe unoda nyaya sitereki hona
zvawazondiitisa.
Iwe Brian inda mubedroom mababa vako
unondirongedzerawo zvihembe zvangu nekuti
handina kana hembe yekunochinja paya
ndakangoenda ndisina kana hembe.

Brian akabuda hake kunoita zvaaive audzwa


namhama , ini ndakangobvawo ndatobuda
kumutevera ndaida kunzwa kuti apedza here
madhiri emunamato nekuti taida kuona kuti
tsoro yedu yaizobuda bhobho here.

Ndakanobvunza kuti wadii waronga hre akati


zvese sorted. Ndakanzwa kufara asi mumoyo
ndaingoti dai Mwari mapindira chero dai
zvaigona mhamha vachingogara havo. Ko vaive
vachadzokera kupi nhaimi vachisiya musha
wavo.

*Brian*

Pandakaona kwaedza ndakamuka hangu


ndokugara pabed ndaida kumirira kumuka
kwamudhara kuti ndigowana mukana wekusota
madhiri angu. Ko zvaisadaka kunonokerwa
handzi simbi inorohwa ichapisa mudhara
vakabva vangomuka kuenda kutoilet ndikati
ndiwo mukana wacho iwowu.

Vachingobuda ini ndichipinda , handina kuda


kupedza nguva ndainge ndatofugama kutanga
kunamata nemunamato wangu kuita zvandaive
ndanzi ndiite ndapedza ndakaisa munamato
uya pawaive usingaonekwi namudhara.
Ndakapedza hangu ndokubuda ndaisada kuti
vawane ndirimo nekuti vaizonyumwa kuti ko
ndichiri kuitei mumba mavo chingu ndapinda.
Ndakabuda kunomutsa vanhu kukitchen sezvo
zuva raive ratokwira kare.

Mhamha vakazoti ndinovarongwdzera hembe


dzavo ndokuenda nadzo. Ndakaenda hangu
ndikawana mudhara vatovamo mumba.
Ndakavaudza kuti mhama vati
ndizovarongedzera hembe dzavo dzavanoda
kuenda nadzo.

Mudhara : Asi ivo mai vako


havachatenderwi suu kumhoresa vanhu
vatadza nei kuzondimhoresa vanotoda kuti ini
ndinovamhoresa here ?

Aaaaah mashoko amudhara akandishamisa


zvekuti ndakatomboti tuzu ndakangomira kkkk
dzaive chokwadi here idzi kana kuti.
Ndakazoona kuti rega ndinyatsovapindura
zvinovagutsa.

Me :. Hakusi kuti havadi kukumhoresai


asi kuti pamakati vagume kukitchen ndizvo
ndakanovaudza saka maybe vakatya kuuya
kukumhoresai. Ok regai ndivaudze vauye
vakumhoresei.

Pandakadero daddy havana kupindura kureva


kuti vaive voda kuti mhamha vapinde vava
mhorese.

Ndakabuda mumba muya ndichifara zvisingaiti.


Ndakapinda mukitchen muya ndichiita sebenzi
chairo nemufaro , ndakawana mhamha vasimo
maingova naSifiso ega nekufarisa
ndakangosviko mupa tsvodi padama ndikati
mhamha varipi Mai Tawe hanzi nadaddy
ngavauye vandimhorese.

Sifiso : Watii Brian ukurevesa here kana


kuti ukuda kundinzwa.

Me ,: Shuwa wena Mwari variko shaaa.

Takatanga zvedu kurova jaivhi naSifiso kajaivhi


kacho kainakidza zvekuti taiita sevanhu vaya
vari kuita masteps epamuchato taibva
tanogumana magaro kudai tobva tauruka
kuenda mudenga todzira pasi umwe neumwe
achijaivha zvakasimba kutambisa muwest
tobvazve tanogumanisa magaro tichingodaro.
Taive tatokanganwa kuti taida kuitei nemufaro
wataive tave nawo. Ko taitadza nei kufara zvedu
icho chirimbani chedu chaive chabata banya
chairo.
Ndakazobvunza sifiso kuti ko mhama vaive
kupi akabva ataura kuti aive ava dirira mvura
yekugeza saka vaive vaenda havo kunogeza.
Akazondikumbira kuti ndiende kunovatorera
hembe dzekuchinja . Akakumbirisa kuti nditore
hembe dzekufambisa kwete dzepamba sifiso
aisanzwa veduwe ndiye aive auya neplan yese
iyoyi yekuenda kunotsvaka munamato kuna Mai
Tine.

Ndakazoenda hangu kunotsvaka hembe yaive


yarehwa iya ndakawana hembe dzamha dziri
mumabeg. Ndokutanga kutarisa hembe yaiita
kuti mhamha vapfeke.

Ndakaiwana ndokunopa muroora wacho kuti


agozopa vamwene vake kuti vaonekera
navatezvara vake.
Akabva atora zviperfume zvake ndokudira dira
hembe iya ndokuzoenda nayo kwaigezera
vamwene vake.

Chero mozogara zivai kuti sifiso waitove umwe


mutype chaiwo. Aive akapihwa hake moyo une
rudo naMwari ahana kuda kutarisa zvese
zvekumashure zvekushungurudzwa kwaaitwa
namhama asi kuti aive nechinangwa chekuda
kubatanidza vabereki vangu.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq

♣💔💔💔💔♣
Her own decision

*By Linda Mai Peace*

*0616317489*
*Chapter 43*

*After 6 years*

*Sifiso*

Ko waizombotiziva here kuti tisu vana Sifiso


vaya vakutarisirwa pasi upenyu hwanga
hwoendeka zvino ndaive ndave kunze kwenyika
hangu ndiko kwandanga ndiri kupedzesa
madgree angu ikoko . Haaa chikoro ndaiita
chekukwapaidza kana Brian anga apedza
course yake yedoctor anga ave kutoshanda
muGweru anga awanirwa nzvimbo pane
chimwe chipatara nefriend yake iya.

Ndakazoti rimwe zuva ndakatovarairwa zvangu


iri weekend ndipo ndakaona call kubva kuna
sekuru vaTawe haaa ndakatoti kuda nhasi
vandifungawo kana kuti Tawe aida kutaura neni.
Ko changa chakuraka chana changu kkkk
ndanga ndayarutsa kani veduwe. Ndainge
ndamusiira gogo vake ko vakazenge
vadzokedzana nasekuru vaTawe zuva iro riya
randadira perfume padress ravo kkkkk sekuru
vaTawe vakazotapirirwa nekunhuhwirirwa
neperfume ndiye gumi rakadya vaviri mumba
muya hamuna kuzobudiwa vanhu
vongomhoresana kasingaperi ko toti chii handiti
vakapinda vachimhoresana here ?

Munongozvizivawo kuti zvamwari zvinozviita


zvega. Kuita umwe munhu gogo vaTawe moyo
wakaipa wese uya wanga wakapera kare?
Semunhu aive onamata havana kuda
kuzodzokera muchivi futi taifonerana nguva
nenguva haaa nemuzukuru wavo vaisasiya
vaiparadzana ave kuenda kuchikoro chete.

Ndakadaira call iya ndipo ndakanzwa sekuru


vaTawe vachiti ndakubhadharirai emergency
flight.

Haaa ndakashaya kuti ko vazviitirei ini


semunhu aisada kupikisa zvainge zvataurwa
natezvara vangu handina hangu kuda kuita
nharo. Ndainge ndapedza macourse angu
andaiita ese. Apa nguva dzakafona sekuru
vaTawe ndaitova mune imwe jewellary shop
ndichitenga mafrem angu ekuisa madiploma
angu ndaitoda 4 frems nekuti ndaive ndine 4
madiploma saka ndaida kuti
anyatsochengeteka zvakanaka. Ndaizomaisa
pandinoti ndikapinda mumba ndobva
ndamaona izvi ndaozviitira kuti ndirangarire
kwandaive ndakabva nako uye munhu aive aita
kuti ndive zvese zvandiri izvi.

Handina kuzomira mushop muya


ndakatobhadhara mafrem angu fast
nekutobuda muridzi weshop akada
kutombotaura neni nezvedzidzo yangu asi
semunhu aive afonerwa kuti ndinokwira flight
ya 1 ndaifanira kukasika kunogadzira apa nguva
dzaiva kuma past 10.
Ndakazomuudza murungu uya kuti
ndaizodzoka totaura rimwe zuva ndave netime
nekuti apa ndaimhanya. Uye ndaida kuzotenga
zvinhu zvakawanda mushop make aive
nezvinhu zvakawanda zvema loves. Ndakabva
ndafunga Brian hangu nyangwe zvazvo taive
tave ne all most 2 years pasina communication.

Inyaya chete yekuti ndaive ndisingadi


zvaizondivhiringidza padzidzo dzangu asi now
ndanga ndave kuchimufunga manje baba
vemwana wangu. Ndiye chete munhu aive
mumoyo mangu vamwe varume vaitombozama
kumira mira asi zvaishaya basa.
Ndakatopedzesera ndonzi ndine chisina nekuti
ndaisatomboda kana kuita zvevakomana.

Ndakaenda kumba kwandaigara ndokutanga


kurongedza bag rangu . Kuva kwangu kuno
mabasa asekuru vaTawe ummmm anga
akandikoshera munhu iyeyu mari
dzavakandibvisisa kuti ndizodzidza kuno
dzaitotyisa guys kana neni ndakaona kuti kune
vamwe vanhu vane rudo muhupenyu . Dai
Mwari angondiitirawo nyasha ndagona
kuzosevenza ndikavachengetawo, ndinoshuvira
kuti dai Mwari avachengeta kusvika vofamba
nemudonzvo. Iyi iri shuviro yekuti
ndimbowanawo mukana wekuvaitira zvese
zvandinofunga mumoyo mangu.

Ndakazosvika kumba pfungwa dzichiita


kudyanana chaiko ko chaimbove chii chaizvo
chandaive ndadanirwa nasekuru vaTawe and
kaive kekutanga kundidana nenzira iyoyo
kureva kuti pane zvaitika here? Kuti kune afa
aaaa moyo wangu wanga wobaikana guys
handidi kunyepa asi vangadei vangotaura kuti
kwakamira sei ?

Zvino semunhu watezvara ndaisafanira


kuramba ndongobvunza bvunza asi kuti
ndaifanira kungoita zvavaive vataura , hapana
zvandaigona kuzoitawo kwaive kwave
kutonozvionera ndasvika.

Ndaiziva hangu kti pasina nguva ndinenge


ndatosvika saka ndaizonozvionerako .

Ndakapedza kugadzira kumapast 12 ndanga


ndatovepo paairport ndatomirira hangu kuti
nguva dzikwane ndikwire tirove pasi.

Nguva dzichikwana flight attendant akabva


atosheedzera kuti vandege ya1 can you get
aboard. Takabva tatopinda, nguva dzichikwana
ndege yakasimuka ndokurova pasi zvedu
takananga Zim. Sekuru vaTawe vakazotaura
kuto "munowana pane munhu ipapo
achakutambirai"
Ndakangopindura hangu kuti pakanaka
ndaizonomuona ndasvika. Moyo waingofunga
Brian be chete and panguva iyi ndanga
ndamusuwa zvekurevesa now ndanga ndave
ready kwaari panga pasisina chekumirira.

*Brian*

Upenyu hwangu hwakamboda kuti omei


nekuendeswa kwanga kwaitwa sifiso Ku SA
namudhara. Ndangariro ndidzo dzaindidya
moyo mazuva ekutanga taitaura zvaive zvinhu
zvaindifadza chose ndaibva ndaona kuti tichiri
pamwe chete. Akazongotanga kuchinja Sifiso
wacho anga asisadairi macalls angu kana
kupindura hake mamessage angu zvinova
zvinhu zvaive zvogara zvichindirwadza
zvakanyanya misi nenguva. Chero munhu ari
busy sei aifanirawo kupindura kana kundiudza
kwete kungo bluetiker munhu otosiya hake
zvakadaro.

Ndakambotanga ndakashinga ndichingobvunza


hangu kuti wamuka sei waswera sei asi
ndakazosvika pakukandawo mapfumo pasi
zviya zvinoda muchipindurana love inongoda
both sides kwete kuti munhu 1 ndiye ongofirira
nekuda ipo pasina chekufirira chacho.

Ndakazosvika pakuzviramwawo ini ndokurega


kana kuchitaurawo naye ndaida kuona kuti
aizoita sei hameno ikoko chero zvazvaita.
Hongu ndanga ndakazvipira hangu kusiyana
nazvo asi ndaiti ndikamufunga moyo wangu
waiita kutsva chaiko. Anga akandikoshera sifiso
mukati meupenyu hwangu asi apa kutaura
chokwadi ndakatoona hangu kuti ndaive
ndatorerwa nevane mari dzine mumvuri. Ini
kwaive kwangova kutandandanisa mhepo
chaiko.

Ko yangu mari aive achaiverenga here munhu


aive adzidza kundidarika kudaro.
Ndaitongonzwa hangu namudhara kuti iye zvino
Mai Tawe adai ave pakati zvazodai apasa
zvakanyanya atora digree rakati zvadai ,
zvikazodai yoooo mudhara ndivo aiudza chese
chaaita ini kana zuva rimwe zvaro.
Zvisinei ndakazosvika pakujaira zvaivepo ,
zvakanditorera nguva kuti ndinzwe kuda umwe
munhu asi semunhu wechirume handina
zvandaigona kuita kunze kwekutotsvakawo
changu chaizondivaraidza. Pamwe
ndaitongozvisunga iye Sifiso wacho achitove
nevake vaaitodanana navo zvake ini ndakati
vhuruvata sehuku ikurarira mazai. Kuitwa gara
ndichauya chaiyo.

Nekufamba kwenguva ndakazotanga kunzwira


chimwe chinurse moyo ichowo changa
chakanaka zvacho uye changa chakabata but
pana Sifiso chaisakwana.

Ndakazochisvikira chakamboda kujamuka asi


ndakaranda ndakangodzvanya chete pakaita
nguva chichiramba wena ndakatofara kuti apa
ndazowana munhu kwaye akazvibata.
Ndakazoramba ndakashinga kusvika zvaita.

Aaaaah ndaive ndatove murudo wena


sekutamba sekuseka, rudo rwacho rwaikura
zuva nezuva. Zvekuti takasvika pakuzoronga
kuroorana asi dzimwe nguva ndaiti ndikafunga
Mai Tawe hana yangu yairova asi paive pasina
yekutamba handiti aisava nebasa neni here?
Saka hapanawo zvandaigona kuita kwaitongova
kuita move on neupenyu hwangu.

Mazuva akafamba naTsitsi tainge tanyura


murudo and zvanga zvotozikanwa nemunhu
wese pachipatara kuti taida kuroorana.
Semunhu aive agara amboziva kunakidza
kwemutambo wevakuru ndakazoona kuti zvaive
nani kumbopota ndichitapudza hangu uturu
kumudiwa wangu handiti paive pave neurongwa
hwekuroorana hre?

Ndakazomuudza nyaya yaivapo asi


akarambisisa hanzi tikaera tarara tese
unozondisiya zvisinei ndakanzwisisa hangu
ndokumbomurega akadaro asi
ndaizomuhwinha chete rimwe zuva akavarirwa.

Mazuva aifamba takazoronga zve engagement


part ko ndaive ndoda zvinhuka. Chandaisada
kuita zvemahure izvo ndanga ndakatsidza kuti
handifi ndaita zvemahure. Takazoronga zuva
rataizoita part yedu, ummmm mwanasikana
akafara kuita seachabata denga. Aive otoona
seatonyura musvitsa, takazoronga hedu date
nekutoudza vanhu.

Mudhara ndakavaudza kuti vauye asi handina


kunge ndavabudira pachena panyaya iyi ndaida
vazozvinzwira vasvike nekuti ndaizviziva kuti
ndikavaudza vaizondirambira nekuda
kwemuroora wavo aisandida. Kana vari mhama
handina kumbobvira ndaiti bufu nyaya yacho
nekuti ndainyatsoziva kuti avatombode kana
kuzvinzwa.

Mhama vaida Sifiso anga ari chipo chikuru


muupenyu hwavo zvino hameno kuti zvandaive
ndoda kuzviroorera hangu umwe vaizoita sei?
Sifiso wavo anga ave wepaclass
yepamusorosoro saka anga asisationi anga ave
kudiler nevepamusorowo ndokuzoti isu hedu
vana Brian taizoonekwawo nani hedu but
ndaizoda chete kuvewo wemberi ndaizozama
zvimwe kuti ndiite mari dzangu nekuti ane mari
ndiye mukuru.

Ini moyo wangu ndaive ndatouudza kuti


dzikama panyaya dzaSifiso nekuti ndiye aive
atanga kusada kutaura neni.

Mazuva aifamba taive tave kuita chibata bishi


kugadzirira zuva guru redu nemudiwa wangu
zvose taibatsirana .

Rimwe zuva takagara zvedu tichiita nyaya


tichiona tv musi uyu ndaivewo ndaenda kumba
kwake. Ndakabva ndangofunga hangu kuti
sezvo tave kuzoita engagement ko
ndikakumbira ndinganyimwa here nekuti
chandaisada kuita zvebamba haaa kudya
zvevapfupi nekureba ndaisada izvo ndanga
ndakazviramba.

Ndakatanga zvangu kubata munhu wangu


nzvimbo dzandaiziva kuti ndikabata apa
hazvikoni chete ndinomuhwinha. Sekutamba
sekuseka zvanga zvatoita anga asisakwanisi
kana kudii mumoyo ndakati ndombonzi aniko
ini.

Ndakabva ndangotaurira munzeve dzake


ndikati ndokumbirawo shaaa ka1 hako
kwanhasi chete.

Iye akabva angogutsurira musoro kureva


kubvuma zvandaive ndataura ndikati nhasi
ndozvionerwa nani regai ndinyatsozvivhurira
zvangu uyu zviri pachena kuti imhandara
nekuomera kwaakaita uku mhandara
yakakwana chaiyo.

Pandakaona shasha yabvuma ndikati ishe


kudzwai nhasi ndozvionerwa nani?.
Ndakachirarisa munhu wangu pabed zvakanaka
naka ndokuchimubvisa mbatya dzese ini
ndokuzobvisawo dzangu izvi ndakazviita fast
ndaiziva kuti ndikaita zvekunonoka munhu
anogona kuzochinja mind.
Ndakachizogadzirira manje kuchipinda kuita
kuomesa tsinga dzese ndaida kubva
ndangodambura tsinga kechi1 kwete zviya
zvandakaita pana Sifiso kuzoita 2 day ndatadza
munhu zuva rekutanga. Manje apa ndaisada
izvozvo ndaida kuzviratidza kuti ndiri murume
akanyatsogwinya. Ko apa ndaive ndakuraka
zvasiyana nepaya pana Sifiso ndaive ndichiri
mwana mudiki.

Ndakaita zvekuzamudzira nesimba rangu rese


guys zvandakaona musi uyu kunoita fanika
ndawira mumugodhi chaimo. Moziva hana
yangu yakarova ndaisatarisira zvinhu zvakadai
nekuonererwa kwaiita Tsitsi achindinyima poto
mazuva ese.

Haaaa ndakaburuka ini guys ndikazvipepfekera


hembe dzangu.
dzese nechandaive ndadzibvisira
ndakatozodemba.
Ndakatora makey angu emota ndokubuda
ndave pamukova ndipo ndakanzwa dzvi
kubatwa bhandi. Manje ndizvo ndaisada
izvozvo zvemunhu anoda kuzviitisa plus
kutambisirwa nguva yangu. Nemarongero
andaive ndaita ndipo ndowana munhu riri dziva
ranzwa zvaro kuitwa chamunyurududu
nevapfanha vemomba haaa maya.

Ndakamuudza kuti ndiregedze ndiende handisi


kuda zvekuvirirwa ndave kupolice
ndakukuvadza uri mbwa yemunhu.

Tsitsi : Ayewo kani Brian mira ndikuudze


shaaa unongokurumidza kugumbuka but ahuna
kumbonzwawo side rangu. Wakambondibvunza
here kuti ndiri mhandara ndikakuvhara. Handiti
hatina kumbobvira tataura nezvazvo here?

Haisiwo mhosva yangu shaaa ndiregerewo


ndiko kusaka waiona ndichikurambira ndaityira
izvozvo zvekuti unozondisiya handina kunge
ndaziva kuti iwewe uri kuda mhandara.

Dai ndakaziva kuti unoda mhandara ndisina


zvangu kumbobvira ndakuda. Saka iwe Brian
ukureva kuti ahuna here umwe munhu
wawakabvisa umhandara ukasiya. Kana usina
pupura Mwari vakuitire nyasha nekuti unenge
wakavimbika. Asi varume vazhinji ndiro basa
ravo kutsotsa vana sikana vevanhu
vachivabvisa umhandara nekuvasiya.

Me : Zvose zvauri kutaura izvozvo zvinei


nekukuwana kwandakuita usiri mhandara iwe
waitomera kunge munhu asati oziva varume.
Wakadii kundiudza kuti wakaziva varume kare
ndisina kumbogara ndazvifadza nenhema.

Tsitsi : Ndaikuudza kuti


wakambondibvunza here ko sei iwewe waiita
kufunga wega zvaunoda pandiri kuti ndive.

Sorry hako shaaa ndiregerewo ndakatsotswa


nemunhu achiti anondiroora saka akasondisiya
ndokurora friend yangu. Nazvino ndichine
bundu pamoyo nezvandakaitwa. Ndiko kusaka
waiona nguva zhinji ndichikurambira kutotya
kutsotswa zvakare
Ndakazoti dhuuuu kufunga ndamira zvino paya
apa ndaive ndodzeya mashoko aainge ataura.
Ndakatanga kufunga ari Sifiso achiitwa
zvandaive ndoita tsitsi ndakazvitongesa hangu
kuti asi varume tinonotsva shuwa denga
hatiripinde.

Ndakazodzoka hangu ndokugara pabed paya


ndikamuudza kuti taura nyaya yako yese
yakaitika usambosiirira.

Akatanga kurondedzera zvese


ndakatombomunzwira tsitsi ini.

Ndakatozoona kuti better hangu kumuregerera


sezvo apura chokwadi chake chese.
Zuva iri hatina hedu zvatakazoita sezvo ndaive
ndapera simba nezvandaive ndasangana nazvo.

Kumuregerera kwandakaita hatina hedu


kuzomira kuronga zveengagement party yedu
kana munhu apupura chokwadi chake
anongoregererwa.

Zuva guru rakazosvika rataive takamirira,


ndainzwa hangu kufara nekuti ndaive
ndazviwanira mukadzi akavimbika ainge
apupura chokwadi chese pameso pangu.

*Baba Brian*
Ndakatoshamisikawo kuti ko Brian aindifonera
kuti ndisvike Gweru kwaive nei chaizvo.

Ndakazoudza Mai vacho kuti ndave


kumbosvika Gweru kwandadeedzwa naBrian
asi ahana kutaura kuti kunei?

Vakangopindura kuti musadaro madanirwa


zvisina basa . Kana dziri nyaaya dzevasikana.
Kana mukawana zviri izvozvo ingobvai
mamubudira pachena kuti hakuna achasvika
pano kunze kwamai Tawe agara ari iye
muroora wepano.

Ndakazopinda zvangu munzira ndakashandisa


mota yangu ndaisada zvekukwira mabhazi
nekuti ndaiziva kuti ndinonotswa zvangu
kusvika bhazi rinofamba richimbomira kutakura
nekuburutsa vanhu.

Ndakakasira kusvika zvekuti Brian


akatoshamiswa. Ndichipinda mumba
ndakarohwa nehana ndichiona decoration
yanga yakaitwa ipapo. Zvaingova pachena kuti
paive nemutambo muhombe chaiwo hana
yangu yakandiudza izvozvo. Handina kuda
kuswera ndichizvidya moyo Brian aifanira
kungondiudza zvaivepo.

Ndakakwazisana zvangu nevanhu vaya vedecco


nekuti vaive vachiri kugadzira vasati vapedza.
Ndapedza kubvunzana mufaro nevanhu vaya
ndakachizodanira wangu mwana paside
ndokubvunza kuti chii chaitora nzvimbo. Iyewo
ahana kumboswera achiti pamunondo
pamusasa akangoti bvuu nyaya yake pachena.
Ummmm ndakarwadziwa handidi kunyepa
Brian anga andigadzika mudish chaimo
ndakatadza kana kutaura chimwe chinhu asi
ndakangogona kuti pakanaka mwanangu
ndokubuda hangu kunogara pasi pemuti waive
panze.

Ndakasviko gara hangu paya ndokutanga


kufunga kuti zvino ndodii zvazvadai ko mwana
wevanhu ndanga ndakamuchengeterei hangu.
Ko ini ndaiti kuvachengetedza kuti vagozoitawo
upenyu hwavo hwakanaka izvo ndatopa Brian
mukana wekuona vamwe vakadzi
achikanganwa kuri iye akaroora kare.

Zvisinei ndakazoona kuti better kuchifonera


hangu Mai Tawe atopinda mundege izvozvi
azozvionera ega nekuti ini ndingazomuudza
kutii chaizvo?

Ndakaudza Brian kuti ndichambotenderera


ndodzoka hangu sezvo mutambo waizotanda
kuma 3.

Ndakabuda ndakananga kuairport straight


ndaive ndatofunga kuti maTawe azozvionera
zvaivepo.

Ndakasviko bhadhara ndege ya1


ndainyatsoziva kuti anosvikirana nemutambo
uchitanga. Hameno kuti aizozvitambirawo sei?

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq
Her own decision

By Linda aka Mai Peace 💓


0616317489

Chapter 44

*Tsitsi*

Ini ndini Tsitsi wacho ari kudanana Brian. Brian


ndakatanga kumuzivira pachipatara
mukushanda tese.
Pandakangomuona first time hana yangu
yakarova ndakatoshaya kuti zvairevei.
Takatanga kushanda pachipatara chimwe chete
asi Brian aisajairika zvachose aigara akasunga
face yake zvekuti waishaya kuziva kuti
aimbofungei chaizvo.

Moyo wangu waiperera paari zuva nezuva asi


chekuita ndipo paive pasina. Kungoti hazvizoiti
kuti utange mukomana asi dai ndaizouwana
mukana wacho haaa ndaimuudza ini.

Takagara kwenguva yakareba asi Brian


aisambojairika vamwe vaimhanyidzana
nevasikana asi iye kana pfungwa nazvo zvake.
Zvakatondinetsa kuti munhu vani,
ndakatombozama kuda kutambira pedyo naye
asi iye zvese izvi aisazviona.

Pakazoti papera hameno kuti nguva yakareba


zvakadii ndipo akazondisvitsa shoko haaa
ndakafara kani guys handidi kunyepa.

Ndakapotsa ndangomuda musi iwoyo asi


ndakazozvidzora zvaisaita ndaibva ndaita
sepfambi.

Ndakazotora nguva chaiyo ndichingotsika


madziro asi munhu ndaive ndamuda kare.

Ndakachizomuudza hangu kuti ndaimudawo


nekuti anga ogara achinetsa kuti wakazotii?
Taive tatopinda murudo sekutamba asi iniwo
moyo wanga watoperera panaBrian aiziva rudo
hake handidi hangu kunyepa.

Takaita nguva tichidanana pasina kana


hurongwa hwaivapo, akazoti oda manje
kutanga kunetsera poto haaa ndakapinzwa
busy.

Ndakamboda kubvuma sezvo ndaive ndisiri


mhandara asi ndakaona kuti kungobvuma chete
haaa madhiri ese aizoenda mudondo nekuti
ndaimuona zvangu Brian kuti aida munhu
akavimbika.
Nini ndaitove mvana zvangu ndainge ndine
mukomana wangu aive akandipromisa
kundiroora. Saka paakaona ndave nenhumbu
ndipo akatiza nhumbu iya ndokuenda joni.
Niniwo semunhu aigara nevabereki panguva
yacho ndakatanga kusunga nhumbu iya kusvika
pa9 month. Hakuna kana akambozviona kuti
ndine nhumbu kusvika musi warwadza nhumbu
iya.

Musatambe nenhumbu guys zvimwe


ungavanze asi kwete kuzvarwa kwemwana.
Ndakazotanga kukwamatata nhumbu yarwadza
ndichidaidza mhamha apa vaisavepo.

Roja repamba pedu ndiro rakanzwa


kukwamatata kwandaiita ndipo akauya
achimhanya.
Paakangoona kuti ndizvo zvaivepo akabva
atodaidza ambulance nguva iyoyo.
Ambulance yakauya nguva iyoyo
ndokunditakurira kuchipatara . Ndakasviko
tarirwa ndokuudzwa kuti mwana aive atofa
nekuti ndainyanya kushiringinya zvinova
zvakaita kuti mwana atsimbiririke musoro ndipo
akabva afa. Handina kuzviramba nekuti time
dzandairwadziwa ndiri kumba pane
pandaitonzwa kuti pane chiri kuda kubuda
kuzasi kwangu ndobva ndatsikidzira makumbo
angu. Ndofunga ipapo ndipo paiitika zvese izvi.
Ndakazobaiwa ejection yekuti mwana abude,
ndichingopedza kubaiwa ndipo ndakatonzwa
kuda kupusha. Ndakapusha mwana uya
ndokutobuda akafa.

Ndakagara zuva rimwe chete muchipatara


ndokuzokwesvaira ndoenda kumba.

Vabereki vaive vatoudzwa neroja asi avana


kana kuda kuzondiona nekuti vakabowekana
nekuti ndaive ndaita nhumbu.

Kufamba kwenguva ndipo ndakazowana hangu


basa pachipatara apa. Mukomana uya
wekundimitisa ndakazosangana naye umwe
musi ndokundikumbira ruregerero. Ndakafunga
kuti aikumbira riregerero rweshuwa
ndokumuregerera hangu.

Akazonditora ndokuenda kune imwe lodge


ndokunorara achindishandira kwete
zvekutamba.Takaita kurarako chaiko kwakazoti
kwaedza ndipo mukomana uya akazotaura kuti
aive nemukadzi saka zvaisaita kuti nditaure
naye kunze iye kana achida ndiye aizotanga
kutaura neni.

Haaa ndakaona kuti uku ndiko kunonzi


kutambwa yakaora chaiko ndipo
ndakazongomuudza nekuti ndakatoona kuti
ndaigona kuzopihwa mwana nemunhu ane
mhuri yake zvake.
Ndiko kusaka ndaive ndoda hangu kuti
ndidzikame kuti kuda ndingawanawo wangu
aizondiroora.

Ndipo ndakaita lucky raBrian, zvakamboda


kunetsa andiwana ndisiri mhandara asi
ndakazomuvhara ndokunzwisisa hake.
Takazoenderera mberi neurongwa hwedu
hwekuroorana. Saka nhasi ndiri kufara handisi
kana kugona nemufaro izuva guru re
engagement party.
Maparents angu aripo vakachena vakanzwa
zvekuti vanhu vane mari dzavo. Samhama
vandiudza kuti uku ndiko kugona mwanangu.
And vakagara kuhigh table chaiko vose nana
baba vaBrian.

Asi zviri kundinetsa uye kundishamisa inyaya


yekuti baba vaBrian avana kana mufaro even
nemaparents vangu avasi kumboita nyaya navo
vakangoti zii vakatsikitsira musoro pasi
kuratidza kuti pane zvavari kufunga
zvakadzama.

Ndakutozvishayawo ini kuti zvikurevei maybe


havandide havo zvino vaitozvinyepera havo
chero murume wangu achindida ndizvo chete
ndaikoshesa.

Nguva dzakazokwana manje dzekuti mutambo


uchitanga.

*Brian*

Upenyu hwangu hwange hwave kunakidza


manje ndaiti ndikatarisa Tsitsi ndaibva
ndamedza mate kutonzwa kuda chaiko. Mwana
anga akachena hake iyeye kuita kugarwa
nehembe ummm zvemusi uyu mwana wevanhu
anga akaita kupedza masports ese. Haaa apa
kana Sifiso aigomera chete aiwa kana pari
pachoice ndaive kumberi chaiko.

Vanhu vakazotanga kudya nekunwa zvese


vachipedza ndipo pakasvika zvino nguva yekuti
ndichipfekedza mudiwa wangu ring manje
zvikagoti ndanga ndatenga yemari chaiyo yaive
yakanaka kani.

Ndakasimuka ndokuti chibhokisi chaive nering


yacho apa changa chanaka sei chibox chacho
chaiva chidiki chene muribon kunze kwacho
waizodeiko ipapo.
Ndakaenda mberi kwaTsitsi wangu
ndokunobvugama ndakabata kabox kaya.

Kuside kwataive takagara kwaive


nechekumukova. Ndakabva ndandoti," Will u
marry you me Tsitsi"?

Apa ndanga ndachiburitsa ring yangu manje


ndanenekedzera kuti achitwasanudza chigunwe
ndibve ndaisa hangu ring yacho.

Ndakanzwa nechekumukova kuti kokokokoko


kurira kweshangu munongoriziva ziso haridi
kusarira ndakati cheu kutarisa kuya kwamukova
kwaibva negogo iya.
Ndichinoti cheu kudai ndakarohwa nehana
nekuti zvandakaona ipapo hazvitsananguriki.
Kuita ngirozi guys ndakaramba ndakatarisa kuti
ndiye here kana kuti ndikukanganisa kuona .

Pandakangomutarisa iye akabva atangawo


kunyemwerera akanditarisa ruoko ruya rwaive
rwakabata ring rwakabva rwatanga kubvunda.
Sifiso akabva angozviona nguva iyoyo
ndokubva ashama muromo kuratidza
kushamisika nekuti kutaura pafair aive atoona
kuti ndaida kupfekedza munhu aive mberi
kwangu ring.

Sifiso akaramba akashama muromo iniwo


ndaive ndangoti tuzu paya ndoshaya zvekuita
uku ruoko rwakabata ring ruchingodedera.
Zveshoma zvishoma ndakaona Sifiso kudzikira
pasi kuya kwekudonha chaiko.

Ndakaona kuti panga patoshata Sifiso


akadonha nemusoro aibva akuvara. Saka
ndakaita kusvetuka paya pandaive
ndakagwadama ndakasvetuka kuita fanika
zviya zvinoita katsi kana yaona gonzo , panga
paipa guys. Mwana wevanhu aizokuvara saka
ndakasviko mugamha kuti awire mumaoko
angu asadonhera pasi chiring chiya hamenowo
kwachakanowira. Ko zvaive zvichatariswa nani?

Pandakanomugamha kudaro ndakaona chindu


chindu meso mumaoko angu ndiye ziii mwana
wevaridzi. Chitarisa uone kunaka kwaanga aita
mukadzi wangu kuita murungu chaiye .
Kana kuri kuchena kwaaive akaita soka haaa
handikwanisi chero kuzvitsanangura. Aaaa
ndaive ndangomira ndakamubata ndamuyeva
kumeso chaiko kana kumbofunga kuti munhu
aida rubatsiro.

Mudhara ndivo vakatozouya vachimhanya


pandaive ndakamira ndokuti Brian enda namai
Tawe kuchipatara ahusi kuona kuti afenda here
anoda rubatsiro nekukasika. Mhanya unomuisa
mumota mangu kurumidza ugare naye
kumashure. Apa paitaura mudhara vaive
vakatobata kabox kaya kering hameno kuda
vaive vainhonga kwayakadonhera.

Ndakazomhanya ndokupinda mumota


yamudhara ndokuisa Sifiso wangu mukati
zvakanaka ndokupindawo.
Ndakabva ndagara ndokumuradzika
pamakumbo angu, mudhara vakairova mota
takananga kuchipatara pasina nguva tainge
tatosvika.

*Baba Brian*

Pazvose zvaiitwa pamba paBrian hapana kana


chimwe chete zvacho chaindifadza handidi
kunyepa ndaitove mundangariro hombe
chaidzo.

Moyo wangu waiita kutsva chaiko handidi


kunyepa team revanhu vacho vefamily yacho
yekwaTsitsi raitondisvota big time
ndaisatomboda kana kutaura navo.
Nguva dzekuti vapfekedzane ring dzakakwana
haaa apo ndipo panga paoma manje ndaive
ndoita kufemera mudenga chaiko nekuzarirwa
nehasha. Ko iye Mai Tawe wacho anga achiri
kupi ndakabva ndatora phone yangu muhomwe
mayaive ndokutotanga kufonera munhu uya
wetax wandaive ndati anotora mai Tawe.
Ndaida kunzwa kuti ko chii chaive chaitika
kunonoka kudaro.

Brian akabva atotora ring kuti achipfekedza


munhu wake. Niniwo ndaive ndotofona phone
ichingonoringer kudai ndipo ndakaona Mai
Tawe pfacha pfacha kupinda muya ndakaita
sendichajamba nemufaro.

Ndakangozozvidzora hangu semunhu mukuru


apa anga asvika paright time chaiyo, ndakaziva
kuti Brian dzinombotacha chete nezvaive Mai
Tawe kana iye Tsitsi wake aisamboti nyoo kana
nepadiki pese.

Pandakaona zvinhu zvashata ndakaona kuti


ndingatofirwa nemuroora wangu sekutamba
nekuti Brian wacho aive angoti tuzu akabata
Mai Tawe akavatarisa kumeso chaiko ndofunga
aive atosvorwa nerunako.

Ndakasimuka faster ndokunhonga ring yaive


yadonhedzwa naBrian ndokutora zvose
nekabox kaya kaive nering yacho.

Ndakaona kuti ndikaisiya kwaitova kujaidza


makudo kudya nezvipunu ivo vanhu varipo
varidzi vezviro.

Ndakazoudza vanhu kuti vasanogara zvavo


taidzoka nekukasika pane zvataida
kumbogadzirisa uyu Brian ndakamuudza kuti
atakure Mai Tawe avaendese kumota kwangu.

Akaita saizvozvo ini ndakazoudza umwewo


wataingoti muzukuru nekuda kwekuti Mai vake
vaiera mutupo mumwe chete newedu.
Ndakamuudza kuti asare hake nevanhu
vasaparara ndaida kuti basa rizopedzeswa
munhu wese achiona.

Kuchipatara takanosvika hedu mai Tawe akanzi


hapana chainge chakanganisika aingoda nguva
chete yekumboregwa akadero nekuti aive
arohwa nehana akafenda aizomuka hake.

Takamusiya akaradzikwa pabed


ndokumbobuda hedu naBrian, ndakati tave
panze ndikati changamire zvino zvazvadai
moita sei apa ndaitofa zvangu kuseka. Ko
ndaitadza nei zvangu kuseka dhiri rangu ranga
rabuda bhobho.

Anga asipusa zvino mukomana asisazivi


pekutangira ndakazoseka zvakare ndikati
chatove chipareka ichi changamire.

Brian : Aaaaah mudhara ndidzo type


dzinoparikwa here idzi musatamba nezvave
Sifiso izvo ndokumuitisa zvisina basa
agobvuma.

Me : Saka wodii zvave kwauri shaa iye


mai Tawe ngaaite amuke mutambo
unopedziswa ndasiya ndati vanhu vasabve tiri
kudzoka iyezvino.

Brian : Ipapo ndipo mairasa manje


mudhara mungadai mangosiya maparadza
vanhu mutambo uchada kupera ndeupi ipapa?

Me : Brian usade kuita zvekutamba


nepfungwa dzangu wazvinzwa makore
mangani ndichizama kukuchengetera mhuri
yako kuti isabude mumaoko ako nhasi ndipo
wozondidanira matakanana akadai. Zvino
zvandiri kuda ndoda kuti nhasi chaiye
usunungure mwana wevaridzi anyatsoziva kuti
chake hapana hona kufenda kwaaita uko kureva
kuti anga achikuda mwanangu asi iwe watove
kune zvimwe.

Brian : Kumusunungura kuita sei daddy


hamuoni kuti ndimi mave kutoda kurasika here
saka chisiirai zvese mumaoko angu.

Yaaaa aida kuzviitisa mupfana uyu manje


ndanga ndamupinda neyakadzidza.
Ndakamuudza kuti ring yako irimo mumota
umo wonopfekedza waunoda pakati pavo vari 2
iwe ndiwe unomuziva ini handikuudziri.
Mai Tawe akazomuka hake pava pay aive right
aive angovhunduka zvakanyanya chete.

Ndakachizomuudza Brian kuti adrive hake ini


ndokugara zvengu Shure iye nemukadzi wake
ndokugara mberi hameno zvavaitaurirana
ikoko

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq
Her own decision

💓
By Linda aka Mai Peace

0616317489

Chapter 45
*Sifiso*

Ndainzwa kufara kani veduwe kuti ndave


kunoonawo vanhu kumba .
Moyo wangu waive wakachena kuti mbuuu
nekuti ndaive ndasuwa munhu wese pamba
kunyanya mwana wangu hameno akasasviko
ndikanganwa.

Ndege yakazomhara muGweru munhu wese


ndokuburuka and aibva atongosanganidzana
nemunhu wake ainge auya kuzomutambira. Ini
ndakanzwa fon yangu yoringer apa ndaive
ndakamira manje monarch yangu iri paside
pangu maziso angu aingomhanyanya mhanya
kutsvaka wandaifunga kuti angazonditambira.

It was obvious Brian was supposed to come


for me, as he was the one who lived in Gweru
but l didn't see him. Ndakatora phone yangu
yairinger ndokudaira hangu ndaive
ndatopererwa chaiko. Ndakaona dziri new
number ndokungodairawo ko ndaigoita sei.

Munhu wacho akabvunza kuti muri papi ndini


ndatumwa kuzokutorai? Ndokumuudza
pandaive ndakamira. Pasina nguva ndakaona
munhu uya atosvika. Takakwazisana
ndokutaura nyaya yake ndokupinda hangu
mumota. Handina kumbobvunza kuti aiendepi
neni zvekuti dai kuri kubiwa ndaingobiwa day iri.

Takazosvika pane imwe imba,iiii yaive yakanaka


hayo imba iyoyo. Murume uya akabva ati ave
kudzokera sezvo gedhe raive rakashama uye
door reimba iyi raive rakashama. Chake
akangogona kundiudza kuti pindai apa.
Murume uya matarisiro aaindiita mumota make
ungati achandidya neziso.
Handina kumboita basa nazvo hangu ko
ndaimuziva here?

Ndakazosiya monarch rangu pamukova


ndokupinda mumba muya. Eishhh mumba
manga makadecoretwa zviya zve engagement
part chaizvo.

Ndakatanga kufamba hangu kupinda mumba


muya iii manga makazara vanhu kani .
Ndakatanga kumhanyisa meso kutsvagawo
chero 1 wandaiziva. Pandakanotarisa
kuruboswe rwangu ndipo ndakasanganidzana
meso naBrian akatonenekedzera ring kuda
kupfekedza umwe musikana anga akanakawo
zvezera rake.
Moziva ndakada kuti ndiridze mhere ndikatadza
ndikada kuti ndimhanye kunodzipa Brian
makumbo akarema zvekutadza kumasimudza.
Nguva iyoyo ndakanzwa mweya wangu kubuda
zvishoma nezvishoma. Ndakatanga kuona rima
richinditi tiba kumeso ndiye ziii ndakadero
panguva iyi handina chandakazokwanisa kuziva.

Ndakazopepuka ndiri muchipatara asi njere


dzangu dzakakurumidza kudzokedzana.
Ndakatanga kufunga zvanga zvichiitika
ndakambofunga kuti zvimwe ndairota asi
ndakazoona kuti zveshuwa ndaisarota izvi
zvanga zvatoitika feya feya .

Ndakazozama kuda kubatanidza kuti ko aive


auya neni kuno ndiani asi ndakashaya kuziva .
Misodzi yakatanga kuerera nezvandaive ndaona
chaive chokwadi here kuti Brian anga andisiya
achida umwe munhu. Haaa ndakarwadziwa
handidi kunyepa ndakatanga kusvimha
ndakagara pabed paya.

Zviya zvekuti heee ndakadzidza handina basa


nemukomana heeee ndinowana umwe inhema
dziya guys unenge usina kuperera pamunhu
iyeye. Wangu moyo ndaive ndakaupa kuna
Brian kubva day raakatanga kuti ndizive
chinonzi murume.
Ndaisada kuita zveuchapa kuti uno murume
uno tore siye. Aiwa moyo wangu waifunga kuti
tichaparadzaniswa nerufu zvino zvazvadai
ndoita sei?
Ko mwana wangu ndichaita sei naye
ummmmmm apa Brian andiomesera handidi
hangu kunyepa kureva kuti ndizvo here
vakarangana nasekuru vaTawe kuti vandidane
kuti ndizoona mwana wavo achipfekedza umwe
musikana ring mumeso angu?

Zvakaoma kani,ko zvino zvandaiti ndawana


vabereki verwendo rweupenyu hwangu saka
nhasi ndinotangira papi?

Haaa ndakazochema guys handidi


kukunyeperai.

Ndipo pakazopinda baba vaBrian vachiti Mai


Tawe haisiri nguva yekuchema motosimba
chero mazvionera. Handei munopinda mumota
tidzokere motorangana naBrian wenyu kuti
mozvifambisa sei?
Moziva kuti ndakapererwa vaida kuzama kutiiko
sekuru vaTawe. Ndaisimba chii chandaisimba
ipapa dai vasina zvavo kundideedza ndaifanira
kungozoita zvekunzwa nemakuhwa pamwe
zvaizove nani.

Ndakazozhuva makumbo angu ndofamba


kuenda
kumota kuya ndichitevera kumashure kwavo.

Takasvika pamota paya ndokuwana Brian


atovamo , baba vake vakandinongedzera kuti
ndipinde kugara mberi kwaive naBrian
ndokupinda hangu . Panga pasina yekutamba
nekuti ndizvo zvaive zvatovepo. Ndanga
ndapera pendi yose apa ndivo vaive vaita kuti
ndive pandiri pano saka kwanga kwatova
kungoteverera sembwa yakaiswa tambo
muhuro. Inenge ichitya kuti ikaita nharo
dzekuramba ikaita zvekudhonzwa inozodzipwa.
Ndizvo ndaive ndoita hangu panguva iyi .

Brian akairova mota ari ziii ini ndanga ndasimba


manje ndave kutongogamuchira zvaivepo ko
ndaigoita sei hangu.

Takasvika paimba paya Brian ndokuburuka


vese nababa vake. Ivo baba vake havana kuda
kana kumbomira vakabva vatorurama
kunopinda mumba.

Iye Brian akauya ndokundibata ruoko


kundibudisa mumota muya.

Aitoda hake kuzviitisa kuda kuzama kuita moyo


wakanaka zvenhema iye aive andirwadzisa pasi
nekudenga

Brain : Chinzwaka Sifiso sorry pane


zvese zvawawana zvichiitika , truly speaking
ndokuda Sifiso nemoyo wese. Chinzwaka nyaya
iri pano ndinoda kuti ubvume zvese
zvandichaita pauri nguva ino pamberi pevanhu
handidi munhu anondinyadzisa Sifiso zvizhinji
tozotaura vanhu vaenda. Ndakangogutsurira
musoro kubvumira ko ndaizoita sei ndanga
ndatove confused asi chandaizoramba
kutorerwa murume wangu neumwe munhu
ndakatarisa haaa izvo ndaizoramba apo ndipo
ndaizozamawo kumira mira nyangwe zvangu
ndanga ndave musalad asi simba ndaive naro
handiti ndakakurira kumusha here?
Pakurwa ndaimira mira handidi kunyepa hangu
saka panguva ino ndave kuiita sekuda kwake
Brian tigoona kuti ari kumbozama kuita sei?
Paakapedza kutaura izvozvo Brian akabva
andikisa pahuma ndokundibata ruoko topinda
mumba ahana kana kuda kundipa mukana
wekutaurawo chimwe chinhu.

Takapinda paya ndakabatwa ruoko kunge


chana chidiki apa ndaive ndichiita kudebuka
hangu nekuyema apa ndaingoda chete kufizura
team raive mukati.

Tichingopinda ndakawana tezvara vangu busy


zvavo kugadzira table nemachair pekuti tigare.
Brian akabva angonanga neni paya paigadzirwa
nababa vake.

Takasvika paya Brian ndipo akandibata


zvakanaka nemaoko ese ndokundigadzika
pachair zvinyoronyoro.

Kuitwa Queen chaivo haaa ndanga


ndakunyatsonzwa kuti ndini Sifiso waBrian
chaiye. Chitarisa uone maziso evanhu kuti
tarisa kwavaive vaita, aaaa mumoyo mangu
ndakangoti handina basa nazvo ini chero ndiri
ini ndave panyanga dzamudhara ko
ndaitozvionaka kuti apa ndini ndatobvuta
chimuti saka ndaifanira kutombomhanya nacho.

Takagara kudaro tezvara vakazobuda hameno


kwavaienda asi pasina nguva ndakaona munhu
ouya akabata kabox kadiki ndokutambidza
Brian.

Akatambira nguva iyoyo ndokutopfugama


mberi kwangu. Ndakarohwa nehana yemufaro
kuti ndini here kana kuti ndairota. Misodzi
yakatanga kubuda mumaziso angu zvishoma
nezvishoma.

Ndakatanga kurangarira kubva zuva rekutanga


Brian achisvika pamba pekwedu ndichiona
mavedios, ndikarangarira zera randaive nguva
iyoyo, ndikazorangarira zvandakasangana
nazvo kwemakore akawanda asi baba vaBrian
vachingomira neni chete. Hapana chisina kuuya
mupfungwa dzangu kusvika nhasi
zvandasangana nazvo uye nekusandurwa
kwazvaitwa naMwari ndaona kuti chokwadi
Mwari vandikundisa padecision yandaive
ndasarudza muupenyu hwangu. Vazhinji
vaifunga kuti ichava wrong decision asi nhasi
uno kwandiri yave good decision.
Brian aive atonenekedzera ring yake kwandiri
apa ini wacho ndainge ndichitori mundangariro
dzakadzika dzika.

Akazoti ,"Sifiso will you marry me"?

Mashoko aya ndakaita kumanzwira kure kure


zvekuti handina kumbodaira ini pfungwa
dzangu dzaiita kukazhana chaiko.
Zvekuti akazopedzesera aita zvekundisheedza
kuti,"Mai Tawe please l am still waiting for your
reply".

Ndakaita kuvhunduka kubva mundangariro


dziya ndokuti,
"Yes please,yes Brian you are the one who can
do it.I am all yours".

Apa ndaive ndachinenekezera chigunwe changu


manje kuti apfekedze. Ipapo Brian ari busy
kundipfekedza ring iya takanzwa mhere
yakaridzwa asi aive munhu kadzi handina kuda
kucheuka kuti ndione kuti chii chaitora nzvimbo
uye kuti aive ani. Ndakaona zvose izvozvo kuti
zvaizogona kuvhiringidza urongwa hwedu saka
ndaizozvitarisa ring yangu yave muchigunwe ko
ndiyani aizoibvisa iyo yatopfekedzwa.

Ndazonzwa sekuru vaTawe voti "eeeee


pamusoroi pamusoroi veduwe mose. Ko
kuchema kwakubvepizve ndinokumbira iwe
muzukuru Luckson uuye pano"

Muzukuru uya akaenda paive nasekuru vaTawe,


ivo ndokumutambidza fon yavo ndokuti "
Famba uchiratidza munhu wese ari muno
itotanga nekune uyo ari kuda kuridzira mhere
zvisina basa.

Vakasheedzera zvakare kuti munhu wese


aifanira kutarisisa zviri pafon ndinoda
muzondiudza mega kuti maonei?"

Muzukuru uya akapotedza munhu wese


achiratidza vanhu zvaive paphone paya munhu
wese aingoti atarisa paphone paya abva
angoshama muromo kureva kushamisika
vamwe ndevairamba vakashama muromo
vamwe ndevaibata muromo.

Ndakatoshayawo kuti chii chaizvo chairatidzwa


vanhu. Muzukuru uya akazopedzesera nekwatiri
akatanga kuratidza Brian ndakaona Brian
onyemwerera akatarisa paphone paya
ndokuzotsvoda pafon paya. Moyo wangu waive
waremberera kuda kuona kuti chaimbove chiii
chaizvo.

Brian ndiye akazoratidza phone kwandiri


pandakatarisa paphone paya ndakaita
kunyemwerera ndakatarisa chimhandara
changu inga mwana wangu anga akura uku
ngaafanane nababa vake.

Ndakazosimudza musoro kutarisa kuvanhu


ndokuona sisi vaye vekuda kuridza mhere
vongoti roi roi meso.
Sekuru vaTawe ndipo vakazogadzirisa pahuro
pavo kuti vataura.

Vakazoti kuvanhu " Handiti munhu wese awona


here photo remwana aripo uyo. Vanhu vakati
hongu asi kune vamwe mai vaive vakangoti
kwindi vaitofinyamisa kumeso paitaura sekuru
vaTawe.

Sekuru vaTawe vakaenderera mberi nekutaura


kuti,"Iyeye mwana wamaona uyo ndiye dangwe
raBrian nemukadzi wamuri kuona uyo ndiye
muroora wangu iyeye. Izvi zvanga zvoitika
zvanga zvatondishamisa kuti zvabvepi ndiko
saka ndadana muridzi wemurume ".
Saka ndofunga mutambo wedu wapera pano
tomirira kuzodaidzwa pamuchato wevaviri ava
uriko soon mogara makagadzira.

Uya ainzi muzukuru akazoisa zvake mumanzi


kuti vanhu vaonekane vachimbojaivha . Ndikati
ko pachada kunyara here ipapa rega
ndimbofizura muvengi.

Ndakatanga zvangu kutamba zviri soft apa


ndakabva ndapa Brian sign yekuti ngatitambe
ko handiti yaive nguva yekufara here?

Mai vaya vekusunga face ndakaona vobata


musikana uya ruoko vomukakata kuda kubuda
naye asi iye aisada ziso raingova kuna Brian.
Kkkk ndakaseka zvangu nechemumoyo ndikati
haaa wazviruza shaa uyu ndewangu and
hapachina mukana wekuti aite zvisina basa.
Akazobudwa naye namai vaya asi vaingorasa
rasa maoko hameno zvavaitaura ndaisazvinzwa
sezvo maive nenoise.

Pakangobuda team riya mumba muya mugoti


matanga kufarwa yooo kwakafarwa kani musi
uyu kuita fanike vanhu vachaedzesa
vachitamba.

Vanhu vakazoenda kunze kwanga kotoda


kuedza apa ndaive ndave kunzwa hope sei
ndakangonopinda mune imwe spare bedroom
ndokutosviko zvirarira nekutokotsira . Apa
nekuneta nerwenda uku kutamba ndanga
ndaneta kani zvekuti ndakakotsira kuita fanika
munhu anga atofa chaiko.
Ndakazopepuka kuma 10 chaiko
pandakangopepuka Brian akabva atopingawo
netray yaive nebreakfast. Akasviko isa
pachitable chaivemo.

Ndakamubvunza kumuka ndipo ndakabvunza


kuti sekuru vaTawe varipi ndimbotaura navo .

Akatoseka zvake akati kwavave kuti havasati


vakusvika kumusha here ? Rega ndifone
ndinzwe kuti vave kupi?

Haaa ndakarwadziwa ini ko nemhaka yei


vaenda vasina kumbotaurawo neni?
Brian akaseka akati matsotsi ahagerani nhasi
vakuwanikidzawo uchiri kurangarira here paya
uchidira dira perfume padress ramhama kuti
vanomhoresa mudhara here paya?

Ndakaseka ndaive ndatozvikanganwa ini inga


baba ava vakangwara shuwa.
Saka uyu mukana wavatipa here ummmmm
tezvara vakadai ndinonzwa kuvafarira apa
vadira jecha zvinhu zvanga zvoda kuitwa
nemwana wavo.
Ndakazoti kuna Brian ndozvandodira tezvara
vangu vakawachisa vanhu nezuro vaive
votoronga muchato apa ndaitotaura zvangu
kuda kumufizura asi mumoyo zvaindirwadza
kuti Brian aive otoita zvevamwe vasikana.
Takachizotaurirana nabrian zvese zvainge
zvaitika ndokuregerana hedu . Even
kusamupindura kwandaiita ndakazokumbira
ruregerero akati ndinofara nekuva newe Sifiso.
Chaive chasara kuenda kunotestiwa kuti tione
kuti hapana ane chirwe here?

*Baba Brian*

Apa ndaive ndagona kuronga tsoro yangu yaive


yabuda bhobho chairo. Chaive chasara kuronga
muchato ndaida vachate faster ndaisada
kuzowana zvimwe zvinovhiringa.

Apa ndakaona mai Tawe akakotsira ndikaona


uri uri iwo mukana wekurova zvangu pasi
ndaida kuti vambosara vachionana havo.
Ndakasiya ndaudza Brian kuti anozouya naye
kumusha ini ndosano tungamira. Ko vana
vanoda kumbopihwawo nguva yavoka.
Sevanhu vanga vakagara kwemakore
akawandisa ndichivadzimaidza zvangu kuti
vasambowane mukana wekuita zvisina basa.
Iyezvino yave right time yekuti vachiita
zvavanoda manje.

Ndichisvika kumba mbuya vaTawe naTawe


wavo vakafara kani. But vakabva vangobvunza
kuti kwanga kwakanaka here kwamaive
madaidzwa.

Handina zvangu kuda kuvapindura ndakabva


ndangovaratidza vedio yandaive ndatora Brian
akabata chibox chering kuda kupfekedza Tsitsi
ndaiziva zvangu kuti nhasi kunovaviwa
ndinonzwira. Apa ndaive ndarigurisira panzira
kuti vasaone kusvika kwakaita Mai Tawe.
Ndaida kuti kana vambovava ndozovaratidza

ramai Tawe achipfekedzwa ring iya naBrian.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq
Her own decision

By Linda aka mai Peace


0616317489

Chapter 46

*Mai Brian*

Mwana aimbozama kuda kudii uyu ndipo paya


pamunozonditi mbuya Tawe vakaipa. Chero
ndimiwo ndingarega zvinhu zvichidai here?
Zvino apa musikana uyu atamba nezvimwe .
Uyu ndiye asingambobviri atsika chivanze
changu ndinoda kutomunanairira haaaa
ndinorikwira bhazi kuenda kunomudzinga
pamba pemwana wangu handidi zvinhu zvisina
basa ini.
Ndakarwadziwa kani sekuru vaTawe
vachindiratidza video yaBrian achipfekedza
umwe musikana ring. Ndakapopota zvekuti
vakazoona kuti vanhu muraini
vangatopedzesera vaungana pamba pedu
nekuti ndaiita kukwamatata chaiko.

Ndipo vakavhura video imwe Brian ave


kupfekedza mai Tawe ring.
Haaaa ndakafara kani ndakaita kujamba jamba
nemufaro yooo murora wangu ndaimuda kani
uyu ndiye wandaizomira naye kusvika Jesu
achiuya ko ndaitadza nei iye akamira neni kubva
achisvika pano ndisingamudi asi ahana
kuzvitarisa kana kundivenga akaramba
akanamatira chete pandiri ndakadomboedza
kumusasamura asi akaramba akanamira
sechishambwe chete.
Ndivo vana vakazvarwa vakapfumbatidzwa
tsika naMwari.Zvamai Tawe zvaitova zvaMwari
kwete zvekurairwa , haiwa airairwawo nani
zvake?

Ndakazodana Tawe nemufaro wandaive nawo


ndikati huya uone muzukuru wangu mhamha
vako nadaddy vako. Tawe akauya achimhanya
zvikati zvema video ndizvo aida mwana
wemwana wangu. Mufoni mangu maitomeka
shuwa kuti hamuna mavideo asina zero naye
here kana ndangoriona ndaibva ndatongoribisa
nguva iyoyo.

Chakauya chichimhanya ndokusvikoona mwana


akafara kani hanzi nhai gogo saka ndivo
mhamha vangu here ava saka vanouya riini?
Aive atovakanganwa mai vake sekuru vake
ndivo vakazoti vari kuuya manje manje
muzukuru iyezvino variGweru.

Mwana akafara kuita fanika vaive vatouya , nini


bp yakazodzikamiswa nekuona mai Tawe
achipfekedzwa ring nemwana wangu. Haaa
ndakafara zvakanyanya handikwanisi
kuzvitsanangura.

Ndakazotanga kugaya manheru kuti ko zvino


baba ava zvavanogara vachinetsera nyaya
yekuti ndiite umwe mwana ndaizodii vana
zvavave vose kudai better kutokurumidza kuti
hazvizonyadzisi here kusengerana nhumbu
nemuroora?
Zero rangu raisatyisa zvaro pakuita nhumbu
kungoti vana vedu vemazuvano vanomhanyira
zvinhu vachivadiki saka zvaizoita fanika
watokura nekuti unenge wave nemuroora asi
izvo kwaani kumhanyira zvinhu chete kwevana.

Sezvo ndainge ndakaiswa jadel ndakazofunga


kuenda kuchipatara kunokumbira kubviswa, ko
ndaizoita seiwo hazvaizombopera mushe better
ndingobara hangu mwana wacho zvindibve.

Ndakazomuka mangwana acho ndakananga


kuchipatara ndokusviko vaudza chichemo
changu havana havo kuda kunetsa
vakangoseka vakati,"mazvifungaka"?
Ndokundibvunza kuti mune vana vangani
ndokuvaudza kuti ndine umwe chete
vakabvunza makore ake ndokuvaudza. Nurse
uya wandaitaura naye agoti kundiseka
achideedza vamwe hanzi guys huyai
mundinzwirewo zviri pano. Vakauya manurse
aya ndokuungana pandiri iye ndokuvaudza kuti
ndainge ndajaiswa jadel asi ndine mwana 1
atove murume mukuru chaiye.

Vakatanga kundibvunza vese mibvunzo


yakasiyana siyana haaaa zvanga zvondibowa ini
zvichingobvawo nababa Brian vaive
vakandikonesa kuzvara kare hanzi handidi
munhu anozvara senguruve. Zvino hezvo nhasi
vave kundisekesa pachipatara.

Ndakazobiswa hangu asi ndaive ndaibva


nemibvunzo vamwe vakati asi makapihwa
nhumbu mukamborambwa here asi
ndakazovaudza kuti kwete ndaive nevana 2
umwe akashaiyika. Vose vakazopedzesera vave
kutondinzwira tsitsi.

Ndakazodzokera hangu kumba ,ndaive


ndangomirira kuti bhora rigohwe nekukasika
ndaisada kutakurirana nhumbu nemuroora.

Nyaya huru yaive yavapo taifanira kuronga


muchato nekukasika uye kuzivisa vabereki vake
Mai Tawe nezvemuchato uye taifanira
kuzokumbira muchato tatombobvisa roora.

*Brian*

Ndaitoshaya kuti ndozvionerwa nani


ndakatombofunga kuti zvose izvi zvaiitika
ndairota nekuti mupfungwa dzangu kutaura
pachokwadi ndaive ndofunga kuti Sifiso
ahachandida. Asi apa aratidza kuti anga
akangomira neni chete ini ndini ndaitenge
ndave kurasika.

Akarara kusvika zuva rakwira handina kana


kuda kumumhanyirira ndaiziva kuti ndaigona
kuzozviruza, ko Sifiso ndomuzivaka naiyo
nyaya yandaive ndawanikidzwa ndichida kuita
aitove ma1 angu chaiwo. Asi ndaingozotaura
naye sekuziva kwangu handiti ndiye aisapindura
here chero ndikafona saka apa ndiye aitove
andiita kuti ndiite zvinhu zvisizvo.

Nguva dzave kuma10 ndakazobika hangu


chikafu chemakuseni ndipo ndakamuigira
muroom maaive akarara.
Ndakasvikawo achimuka ndakamupa chikafu
ndipo manje pakatanga matalks. Haaa
akachema mwanasikana nezvandaive ndaita
ndakazopinda busy kumunyaradza. Iyewo
akazokumbira ruregerero pane zvese zvaaiita
zvekusandopindura hanzi ndaive busy nenyaya
dzechikoro asi hazvirevi kuti ndaisakuda. Akati
zvakare ahana kunge aziva kuti zvaizopa
dambudziko rakadai. Takakumbirana
ruregerero pane zvese zvainge zvakaitika
kumashure ndokuzowirirana kuti taifanira
kuenda kuclinic kunotestwa before taita sex.
Haneno kuti dai pane umwe aizonowanikwa
aine chirwere taizoita sei kkk?

Takazogadzira kuenda nguva iyoyo nekuti ini


ndanga ndatononokerwa , ndaive ndagarisa
guys saka ndaive ndoda kunyatsopedza shungu
pamunhu wandainzwa kuda nemoyo wose.

Takaenda zvedu ndokunotariswa takawanikwa


tese takachena hakusi kufara ikoko
kwandakaita.

Ndakairova mota ndakananga kumba ndaive


ndisisadi kutambisa mukanwa , ndaitoda
mupfanha waTawe nekukasika ko ndaive
ndichamirirei hangu.

Takasvika kumba ndokupinda hedu mubarthing ,


ndokutakanga kugezesana hedu tichiyemerana.
Rudo rwanga ronakidza guys kuita jaya
nemhandara chaizvo ko taive takambowana
here nguva yakadai. Handiti munoiziva history
yedu kuti hatina kumbobvira tawana mukana
wekudanana seizvozvi.

Pakazorwana sipo kumusana pakapuruziranwa


yooo zvemusi uyu handikwanisi kutsanangura
hangu nekuti handitozivi kuti takazobuda
mubarthroom umu nguvai uye kuti
kwakashandurwana rungani munongoziva kuti
vanhu vaive vagarisa . Ndofunga takarova
dzinenge 4rounds tese tichiita hwejongwe,
musaudzwa nhema kuti murume ndiye ega
anoita hwejongwe kana vakadzi kana agarisi
kungonopinda maari kudai wotoona munhu
otogwinha gwinha.

Zvino apa zvedu zvainakidza nekuti taiitirana


one time. Takachizotanga manje kuita
madamba refu haaa kwakafiwa mhani musi uyu.
Takangozobuda mubathing muya takamonera
matowel nekusviko rara. Tese takabva
tatobatwa nehope kwaiti kuneta koti kuguta
bonde munongoziva kuti kana waguta zvinhu
zviya hope ndipo padzinoda.

*Narrator*

*Miedzo haiperi kuvatendi*

Kubva zvatanga Mai Tinevimbo kugara vega


miedzo yanga yovawandira. Maticha
epachikoro apa anga oita kuputana chaiko .
Hameno kuti vanga vaoneiwo chero ndimiwo.
Vamwe vaiuya kuzozama lucky vakabata mari
asi mai Tine vakanga vakashinga vaizviramba
zvese izvozvo.

Nguva yakafamba maticha aya akazosvika


pakuneta ndokusiyana nazvo. Ivo mupfungwa
dzavo vaifunga kuti vawana pekudzera nyota
sezvo Mai Tine vaive vogara vega. Pakapera
nguva yakareba ndingangoti chipo chemakore
maviri . Mai Tine vakatanga kuita
sekakutambura nekuti vanga vasisawani
zvakakwana kwanga kwava kungogara havo asi
vanga vasisina wavairera sezvo Tawe aive
ogara nambuya vake.

Vaingopota vachipihwawo zvimari zvishoma


nasekuru vaTawe kuti vabatsirike asi
vakazoguma vasisavapi kuti vavadzinge
vakaona kuti vanenge vaita hutsinye saka
vakangozovasiya vachigara havo asi mari
vakazomira kuvapa sezvo pakanga pasisina
basa ravaishanda. Apa vaifanirawo
kungoshandisa pfungwa dzavo kwete kuramba
vongogara asi pasisina chekugarira.

Pavadzidzisi vaienda kunozama lucky


kwamaTine kwakazosara umwe 1 aive
netsudza , kuita fanika mutumwa wasatan.
Zveshuwa akazovawo mutumwa wasatan
nekuti Mai Tine vakazomubvuma apa aiti anoda
kuvaroora vogarisana havo. Mai Tinevimbo
vakaona vatogarika nechekare nekuti mr
Sibanda vange vane rudo zvavo.
Vakachovha vachiwirirana uye vaSivanda
vainge vaudza Mai Tine kuti vainge vakasiyana
nemukadzi kwemakore matatu apfuura.Mai
Tine vachinzwa izvi vakafara vakati inga
ndazomuwanawo wangu asina nemukadzi saka
zviri nani hakuna anoseka umwe nekuti tese
takasiya.

Nguva yaifamba ticha uya anga otogara


kwamai Tine , nhamo chaiyo vanga voinzwira
kumanex door.

Nguva yakafamba vaviri ava vari murudo


ndokuzoti rimwe zuva vakatovarairwa havo
vakagara panze murume akarara hake mumba.

Ndokuona dungwe rongondo mukadzi nevana 3


kumashure 1 ari kumusana kureva kuti vana 4
namai vavo. Hanzi pakaitwa batai batai musi
uyu hameno kuti ndiani aive afonera mukadzi
uyu achimuudza kuti murume wako ave
kutogara neumwe mukadzi. Apa vaSivanda
vaive vave nemakore matatu chaiwo
vasingaendi kumusha kwavo. Vaive vasiya
mukadzi anenhumbu ndiye mwana wacho aive
akaberekwa uyo akazvarwa baba vachona.

Kwakarohwa munhu musi iwoyo


mungambozoziva here kuti ndivo vamuprofiti
vaya kuita kushakadzwa chaiko inonzi nyaya
yacho yakatozosvika mumaoko emapurisa asi
hazvina kubatsira chinhu nekuti mudzidzisi vaya
vakazotuta twavo ndokuenda kumusha kwavo
nemhuri yavo. Mai Tinevimbo vangu sare
vangoti kweba apa vanga vachitori nenhumbu
ine 5 months.

Vakarwadziwa zvekusvika pekupedzisira kunoti


kuchurch vechurch vakati hatigoni kukutambirai
totombokukururai gemenzi nekuti makatadza
nebwoni 6 monts musati masunungurwa.

Mai Tinevimbo vakava bridge rakayambutsa


vazhinji asi ivo vakatadza kuyambuka saka
tichirarama ngatichenjerei kuva mabridge
anoyambutsa asi iwe uchizofa kuraswa zvinova
zvakazoitika Mai Tinevimbo.
Vanonzi vakatanga kurwara nekuda kwekuti
vanga vazadzwa chirwere nemudzidzisi uya asi
havana kuda kuenda kuchipatara. Vakarwara
kusvika vafa ndokuvigwa nenyika.

Panhamo pavo hapana kana kumboimbwa


nziyo dzekuchurch kwavo nekuti vainge
varasiwa nekuda kwechivi cheupombwe. Apa
vainge vazodzokera kumusha kwavo kuna amai
vavo.
Tikatarisa kubva kwese uko Mai Tine vaive
munhu ane moyo wakanaka chose asi
vakatadza kuzoshandira Mwari wavo nekuda
kwezvinhu zvidiki diki.
Regai zvichizonzi tarisiro handidzo dzese
dzinobudirira.

*Sifiso*

Hongu takaita inenge vhiki tiri Gweru naBrian


asi ndaive ndosuwa mwana wangu uye gogo
vake. Takazoenda hedu kumusha tese nababa
Tawe.
Mumota zvinhu zvanga zvisina kundimirira
mushe ndakafamba nzira yese ndichingorutsa
ndakatoshaya kuti ndaive ndadyei day iri. Brian
kana kumbondinzwira hake tsitsi aitofara
nekurutsa kwandaiita hanzi ndiri mukono ini
ndakatoshaya kuti aida kuzama kutiii.

Takasvika hedu kumba ndokuwana munhu


wese aripo pakafarwa kani handina kumboona
zvadaro nini hangu ndaitovhiringidzwa nemoyo
wangu waive wakangosviba ndaitonzwa
kusarudza chikafu.

Apa ndaitonzwa kuda mufushwa wemunyevhe


chaiwo, ndakazobvunza mbuya vaTawe kana
vaive nawo asi vakati uripo ndokunonditorera
nechindiro eish ndakafara sei guys kunzwa
kutoda kuudya uri mumbishi.
Ndakazouisa hangu pamoto ndaitoda uya
wakakwatiswa chaiwo.

Pawakangotanga kunokwata wave kututumura


paya ndakaona mbuya vaTawe kusimuka vari
bara apa vakabata muromo kuita fanika munhu
aida kunorutsa zvakatondinetsawo ini kuti ko
chaive chava chii chaizvo.
Ndakasimuka paye ndokubuda hangu
kuvatevera kuti ndione kuri vaive vari right here?

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E
Her own decision
By Linda aka Mai Peace 💓

0616317489

Chapter 47

*Baba Brian*

Zvaiti kusetsa zvikati kufadza ,vamwene


nemuroora vanga vongochinjana kumhanya
kunorutsa ndakaseka zvangu mumoyo ndikati
zvino achabata mwana weumwe ndiani ipapa.
Ndipo ndakarangarira paya pandakapotsa
ndafa ndikadzoswa nababa vangu vachiti enda
unokudza dzinza.
Saka ndiko kutokura kwedzinza racho regai
tizvizvarire hama dzedu tisu tadii.
Vachingopona chete mbuya vatowe mwana
iyeye akangoyamwa 6 month otobviswa
pazamu ndomutsvakira mukaka haaa
anotokura kudarika vanoyamwa pana Mai vavo.

Ndinoda vaite umwe nekukasika tobva tasiyana


nazvo, zviya zvekuti vaitirana nhumbu
nemuroora hazvina kana nebasa rose izvo
nekuti hakuna inofurira ivete umwe neumwe
anenge achibara vachengeti vake uye kuzadzisa
mashoko ababa vangu.
Brain nemudzimai wake vakagara 1 week chete
ndokuzodzokera havo Gweru kwavo asi vasati
vadzokera takazoita urongwa hwekuti Mai
Tawe adzokere kunotora zvinhu zvake zvese
zvaainge asiya ikoko.
Aifanira kuzoshandira kuno vachigara pamwe
nemurume wake sezvo anga azvitakura kudai
zvaisaita kuti agare ega kusina anomuona.

Muchato tainge taronga kuti waizoitwa kana


abatsirwa ndipowo tinenge tapedza kuronga
zvese. Ko muchato unotoda kugadzirirwaka
ndiko kuti zvibude unotoda nguva vanhu
muchigadziriza zvinhu zvenyu kuti zvirongeke.

Takambove nenguva yakanaka chokwadi


unombokanganwa nhamo dzose chide kana
Mai Tawe aripo ummmm muroora wangu
ndakamupihwa naMwari chokwadi zvinhu
zvose zvinonobva zvachinja pamba kana basa
chairo anozvishandira kani ahanei nekuti heee
ndakazopasa heee ndave nemadgree
ahambozvitoreri pamusoro anongoita muitiro
wake ahachinje.

Mazuva aifamba ikave mwedzi uku dumbu


rambuya vatewe ndipo raikura zvaityisa
ndakatombofunga Mai Tinevimbo kuti
ndivasheedze vazogara havo kumba
vachibatsira mbuya vaTawe basa semunhu aive
aremerwa.

Mai Tinevimbo vainge vave kugara kumusha


kwavo saka ndakatoona kuti kuvafonera
kwaitova nani sezvo vaive vave nenguva vaenda
uye ndisingatauri navo.

Ndakazofona hangu kwavo kudairwa nemwana


wavo achitaura kuti mhamha vakaiso shaika
kare kare heyii ndakarwadziwa handidi kunyepa.

Ndakazoudza mai Brian nezvenyaya iyi


vakabatikana zvekurevesa vakatoti taifanira
kunobata maoko.

Takazoti vhiki raitevera uri mugovera taizoenda


kunobata maoko tichinoona kuti zvakamira sei
uye kuti vana vari kuchengeteka sei. Nekuti Mai
Tine vaive nevana 3 saka kana zvinhu zvamira
seizvozvi panenge poda rubatsiro rwekuti vana
vaenderere mberi nechikoro.
Ini ndaingewo ndamira kuvachengeta nekuti
vainge vomhanyidzana neumwe mudzidzisi
saka ndakafunga kuti zvainge zvavarerukira
ndizvo zvimwe zvaive zvaita kuti moyo wangu
uti worei handina kuzombokwanisa kutaura
navo kubva zvavaive varakashwa nemhuri
yemudzidzisi uyu kusvika vazoenda kumusha
kwavo. Zviripo zvimwe zvinhu zvekuti vanhu
tinofanira kushandisa brain dzedu. Chero
ndimiwo kana munhu ave kuziva kutsvaka
varume anochengeteka sei?

Ndizvo chete zvandaive ndangoshora zvangu


apa vaiitira zvinhu zvavo muimba yandaive
ndatsvakira muroora wangu chero ndimiwo
zvinochenesa moyo here?
Kuvatsvaka uku ndaiziva hangu kuti vaive
vasiyana naticha uya mushure mekunge
ateerwa nemhuri yake.

Ndakazofonerawo vana Mai Tawe kuvaudza


nekuti vaisambozviziva. Munoziva here kuti rufu
rwemunhu waunoziva uye akambogara
mufamily mako runorwadza sei nyangwe
zvazvo zvaive zvaitika kwenguva yakati rebei.

Vakarwadziwa vana Mai Tawe vose nemurume


wake vakati vakawana chance vaizouya
kuendako kunobata maoko.

Saturday yakazosvika takangofumopinda


mumota nambuya vaTawe takananga kumusha
kwana Mai Tine. Chaive chinhambwe zvacho
asi takasvika kuchiri kuseni sezvo takaita
mufamba nyore nemota.

Hatina hedu kumborasika sezvo Mai Tinevimbo


vaigara vachingotaura zvekumusha kwavo.

Pamusha paive nemhuri ipapo ndakarohwa


nehana tichisvika kuti asi panei chinoda vana
vega.

Patakaburuka mota , Tinevimbo kungotiti baaa


akamhanya veduwe kungosvika achinditi
mbunde and anga akura asi ahana
kumbotikanganwa tese nambuya vaTawe.
Vakazouya vamwe vake votanga kutimhoresa .

Iiiii vana vaive netsika havo ivavo,


ndakazobvunza Kuna Tine kuti vakuru vaive
kupi akati gogo vari mumba handei.

Akatungamira kuenda mumba macho maive


negogo vake ndokusviko pinda hedu.

Gogo vacho vanga vakura zvekuti vanga vave


kutodawo kushandirwa kwete kuti vaive
vachagona kuita basa rakawanda kana vaiita
zvaingove zvekungoshingirira zero ranga
raenda.

Takakwazisana navo ndokubvunzana mufaro


uye kubata maoko atainge tafambira.
Tinevimbo ndiye akazoudza mbuya vake kuti
tainge tiri vani.
Pavakaudzwa vakafara chose vakati makaita
henyu mwana wangu paaigara kwenyu
aindichengeta zvisingamboiti. Vakademba kani
kuti zvinhu zvainge zvavaomera uye vaive
vafirwa nevana vavo vese ndiko kusaka pamba
pavo paive nedzvararira revana.

Takazoswerapo hedu kwakabikwa yooo


unongodya zviya zvekuti ungazonzi unotsvinya ,
ndakazoti Kuna mbuya vaTawe ndimbovaona
paside pane zvandaive ndafunga.

*Brian*

Ndanga ndazoibva guys kugara nemunhu


aisada kana kundiona . Ndakatosviko
pakubvunza vamwe kuti zvirikowo here kwenyu
zvekuti mukadzi uchingopinda otomhanya
kunorutsa apa aiti kana akagara anenge
akandifiratira. Pandakabvunza vamwe vakati
ndizvo zvonoita dzimwe nhumbu.

Haaa zvanga zvandiomera kani ugoti kunetsa


kwaiita nhumbu yacho ndakanga ndanzwa
kuenda pamisika kutsvaka zvaidiwa. Ini wacho
ndaitoda kugara pedyo naye Sifiso wacho kana
ndiri kure naye ndaitonzwa kuti pane
chakashota pandiri moyo wangu waiita kutsva
chaiko. Iye wacho aisada kana kundiona
mumagumbeze chaimo ndainzi tarisa uko uri
kundifemera haaaa ndaitoshaya kuti zvaiva
zvabva nekupi. Munhu aingondida zvekwaboe
boe kudaro but apa ndaive ndogara
ndichingorambwa. Haaa kana zviri izvo zvinoita
nhumbu dzevanhu vese inga varume
makashinga.
Regai vakuru vakati ushe madzoro paya ane
nhumbu yaTawe ndaisava nehanya naye.
Iyezvino pandave nehanya naye iye ndipo
asingadi kana kundiona. Chiona dumbu racho
kukura kwaraiita ummmm ndaifanira
kutombonomuisa pascan kuti ndione kuti
zvamira sei mudumbu umu . Kukura kwacho
kwanga kwanyanya kani.

Ndakaigaro sekwa namudhara ndakamuisa


pastatus hanzi dai muroora wangu
asinganamati ndaiti akakudyisa nekuti kazhinji
ukaona murume achiisa mukadzi pastatus
chitozivai kuti shasha yakadya ikaguta kuita
kupihwa nefoshoro chaiko.
Ndakazoenda naye kuchipatara kwandaishanda
ndokunomutarisa wanikwe 2 boys haaa chero
ndofara guys musi uyu ndakafara zvekuti dai
denga raibatika nekufarisa musi uyu
ndaizoribata and mazuva anga atofamba
zvekuti panga pangosara mwedzi chete kuti
vana vabude. Ndaida kuti vana vachingokwana
chete ndotobisa vana vangu mudumbu
remunhu ,ndaida asarwadziwa nekupona asi
kuti angozorwadziwa neronda chete ndaiona
sezviri nani nekuti yoooo mimba inorwadza
guys bvunzai isu tinoshanda muzvipatara. Haaa
tinoonesa hedu vakadzi vari panguva yakaoma
kana vopona veduwe.

Takazotambira shoko kubva kuna mudhara kuti


Mai Tine vainge vakashaya kare kare, aaaah
zvakatondishamisawo ini kuti ko vakaonei
nhaimi. Saka taifanira kutoenda kunobata
maoko sezvo mudhara vaive vati tiuye paive
nehurongwa. Handina hangu kuzobvunza kuti
hwaiva urongwa hwei ndakangoti taizonozviona
tasvika. Ndakazoudza Sifiso ummmm asi
ndaive ndatopara imwe chaiyo. Akachema
veduwee hanzi handina kumbobvira
ndakazvifungira kuti ndingatadza kuzoonana
namai Tine .

Akachema kani zvekuti ndakapedzesera


ndotoona kuti munhu akazvitakura ahafaniri
kunyanya kuchema kudai zvinogona
kukanganisa vana mudumbu .

Ndakazama kumunyaradza asi ndakatadza


nemavengero aaindiita aitoita kuti kana rukudzo
chairwo ruve rushoma.
Ndakatozoona kuti better kutopinda munzira
ndiende naye anopedza shungu but mumoyo
mangu ndakanga ndotyira kuti bp inozokwira
zvakanganisa vana mudumbu.

Ndakamuudza zverwendo rwacho akatoti


aitova ready bt ko mimba ine basaka kana
kugeza chaiko amwe mazuva ndaitoita
zvekusimudza ndonogezesa hangu uone
kutukwa kwandinenge ndichiitwa haaa
zvakaoma sure kutongoshinga ko ndingaite
seiwo.

Takazopinda hedu munzira asi takananga


kumba kwana baba taizobva ikoko tonanga
kwana Mai Tine.
Patakasvika takatoshamisika kuona ........

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq

Her own decision

By Linda aka Mai Peace


0616317489

Chapter 48

*Sifiso*

Ndakazenge ndapihwa mukana wekunotora


zvinhu zvangu naBrian nekuti akati ndaifanira
kuzoshandira kuno kuZim saka ndakazongoita
zveflight kuenda nekutodzoka seme day.
Handina zvizhinji zvandakanotora kunze kwema
certificate angu echikoro nehembe chete
zvimwe zvese ndakasiya ndapa vanhu ikoko.

Ndainyatsoziva kuti pandinozotanga kutsvaka


basa , kungoriwana chete ndenge ndagara boe
pay yangu yese yekutanga ndaizongoipa sekuru
vaTawe nekuti ndisingadi kunyepa vakamira
neni munguva yekuoma kwezvinhu. Zvinhu
zvine manyawi veduwe nhumbu yakabva
yatobata zvandaive ndakaronga zvese
mudondo ko ndaitombozomiriraka kutanga
ndabatsirwa ndobva ndazotanga kushanda
hangu. Kana muchato wakazonzi waizoitwa
ndapona iye Brian wacho hanzi handidi kuchata
nemunhu ane zidumbu.

Kana neni ndaisadawo zvangu kuchata


ndichisvotwa kudaro mimba yaisvota iyoyo
kutanga here kundinetsa isati kana yave
nemwedzi chaiwo.
Chero ndakambonetswa nenhumbu iyi yaitova
kumberi chaiko , yaiita kundishungurudza
chaiko upenyu hwangu hwanga hwave
kutondiremererawo. Ndaimboedza chaizvo
kuzvishingisa kuti ndisaite zvayaida asi
zvakaramba yaitoita seine mweya wetsvina.
Makambozvionepi nhumbu inoti kungoona
munhu kutomhanya kunorutsa. Mazuva
ekutanga Brian aitombonditsamwira achiti
ndaizviitisa uye ndaimusema asi zvaisava izvo
nekuti ini pachangu ndaizama kuzvidzora asi
moyo wairamba and ndipo unenge
uchikakavara zvekuti unotoshaya kuti dai
ndawana kwekumbonogara kusvika hangu
ndapona ndozodzoka.
Ndakademba vabereki vangu kuti nemhaka yei
vaiindiita fanika handisi mwana wavo kudaro
kana vari sababa vangu chaivo vaisasimudza
musoro ummmmm ndakazongosiyana hangu
nepfungwa dzacho asi dzimwe nguva
zvaindidya moyo.

Mazuva aifamba dumbu racho raiita fanika


raikura zuva nezuva nekuti pandaive ndave ku6
raitoita fanika nguva yekupona yatokwana
ugoona ndaive ndisingagoni kana kuita chimwe
chinhu.Brian aimira mira veduwe apa dzimwe
nguva chero kundigezesa chaiko aindigezesa.
Nhumbu hadzifanani chokwadi iyi yanga
yandichukumisa.

Kutaura pafeya murume wangu ndainzwa


kusvotwa naye nyangwe zvake aimira mira asi
zvose izvozvo zvaisamboita kuti moyo wangu
umude hamenowo kuti inhumbu here kana kuti
mamhepo chaiwo.

Ndakazotenda hangu kuti ahana kuora moyo


akaramba akamira neni zvakaoma kudaro kana
mumagumbeze ndaitopindira nhamo chaiyo
ndaitonzwa kusemeswa naye haaa iyi nhumbu
yaitova muedzo chaiyo. Ndaingonamata kuti
pandinozobatsirwa dai zvagona kuzopera
zvekusema murume wangu nekuti upenyu
hwacho hwaisanakidza.

Hepano manje kuzonzwa kuti Mai Tine vainge


vakashaya haaaa ndakarwadziwa guys handidi
kunyepa ,ndakarwadziwa zvekusvika pakati kati
pemoyo chaipo. Zvekuti ndakachema
kupedzesera ndave kuona rima uye musoro
wave kutema. Yaitove first time yangu
kurasikirwa nemunhu aive pamoyo pangu.
Ndaisingozvinzwa kwevamwe ndichiona sezviri
nyore asi nhasi ndabaiwa panyama nhete
chaipo.

Brain akazoti tigadzire kuenda takapinda hedu


munzira asi ndaive ndisisanzwi zvakanaka
maybe kwaiva kunyanya kuchema uye
kurwadziwa kwandaiita nerufu urwu. Asi Brian
handina kumbomuudza ndaiziva kuti taizokona
kuenda kunobata maoko aisada kuona ndichiita
sendinorwara.

Takafamba zvedu boe kusvika kwana mhamha


tichibuburuka ndakashamiswa kuona
Tinevimbo nevamwe two vandaisaziva apa
moyo wangu wakatombonyevenuka
ndakamutarisa.

Kureva kuti sekuru vaTawe ndivo vaive vatora


Tinevimbo nekuti anga afirwa namai vake here
kureva kuti pamwe anga asina muchengeti
kana kuti ashanya achadzokera ndaive
ndongozvibvunza mibvunzo yakawanda isina
aipindura. Takazoburuka mumota muya
pandakati ndifambe kudai ndinzwe makumbo
ave kurema. Kunotarisa kudai wanikwe
makumbo ave maturi zvese nemaoko kuzvimba
kuita zvimwe.

Ndaive ndotofamba zvekushinga chaizvo,


vanhu vakatimhanyira tichiburuka pamota yooo
unombonzwa moyo wako kunyevenuka uchiona
vamwe. Kkkkkk ndakazoona vamwene vachiita
kudhanaira vachiuya kumota kuya apa dumbu
ranga rakaita kurembera haaa apa rangu raitova
nani pakukura ummmm ramhama ranga
razonyanyawo kani veduwe. Waitonzwa tsitsi
but vairatidza kugwinya kundidarika.

Takaita kumhanyirana chaiko asi makumbo


angu airema but ndakashinga kupa vamwene
vangu hug kkkkkk ayas hug yacho mungazoida
here yevanhu vane mazitumbu vese.

Takazobvunzana hedu mufaro nekubatana


maoko amai Tine.

Baba vakazorondedzera kuti vainge vakumbira


mbuya vaTinevimbo kuvabatsira kuchengeta
vamwe vana nekuti hanzi pamusha apa painge
pane mhuri yakakura uye mbuya vaTine vainge
vave munhu akwegura zvekuti vanga
vasisakwanisi kunyatsogona kuriritira mhuri iyi.
Vakarondedzera zvese maonero avaive vaita
uye kuti vainge vavasiira kamari kekuti
vabatsirike.

Vakataura zvakare kuti range rave basa redu


kuchengeta mhuri iyi chero zvazvo paive pasina
ukama asi mwari vanoti munhu wese ihama
yako uye kubatsira vanotambura kana une
mukana chinhu chakanaka fani pamberi
paMwari. Vakataura zvakare kuti kana nesu
taifanira kupota tichiisa ruoko rwedu pamhuri
iyi.

Takazobikirwa ndokudya hedu tichiita nyaya ini


ndaive ndangogara ko kusimuka kwaive
kuchada hre?

Takazoti tapedza kudya Brian ndipo akati


tichidarikira hedu kunobata maoko nguva iyoyo
nekuti aida kuti kuzodoka tadzoka.

Iye akatosimuka kusanofamba kuenda kumota,


niniwo ndakazoti pakunosimuka paya zvikati
unonyepa makumbo anga asisadi zvino kuda
kugara kuya kwandaive ndaita amai
munongonzwa vanhuwee. Kutadza kana kumira
chaiko apa moziva kuti kana nyama
dzikazvimba dzinopedzesera dzorwadza.

Vana mhamha nababa vakatoshamiswa nazvo


vakabvunza kuti asi munosimbozvimba here
kudaro?

Ndakapindura kuti kwete zvakatotanga kubva


zuro asi iyezvino ndipo zvatonyanya. Brian kuda
angawo aneta nekumirira panze paya ndipo
akadzoka kuzoti ko handeika Mai Tawe.

Ndakamuudza kuti hona kuzvimba kwandaita


shaa handichambokwanisi kufamba ini.

Iye akatorohwa nehana nezvandaive ndaita


ndokuti vana mhamha isu tave kutodzokera
Gweru chaiko zvekubata maoko tozozviona
nekuti hazvisi right kuti munhu ane nhumbu
azvimbe kudai itori bp iyi.

Ndichinzwa izvozvo ndakabowekana veduwe ko


iko kuzvimba kwacho kwaive kwabvepi. Sezvo
yaive holiday vana vakavhara ndakazokumbira
Tawedzerwa naTinevimbo ndaidawo kuhafura
mhuri sezvo yaive yakurisa.

Vose vakamborwadziwa nekuda kwaTawe


vaisada kusiyana naye muzukuru wavo asi
panga pasina zvekuita neniwo ndiye munhu
aidiwa nenhumbu yangu naivo mbuya vaTawe
ndaiti kana ndakavatarisa kudai ndainzwa moyo
wangu kufara kani .
Kana vari sekuru vaTawe naBrian haaa avo
kwaingova kushinga chete ndaisada kana
kuona face dzavo vanhu ivava.

Tinevimbo ndiye anga angoti kwati neni


ichingova sisi anga afara hake kundiona kani
zvino wedu Tawe aisava kana nebasa neni
aitove busy zvake kuita nyaya nasekuru vake.

Vana vakazorongedzerwa hembe dzavo faster


nekuti Brian anga oda kurova pasi hanzi
ndikaita semunhu asingafungi ndogona
kuzorasikirwa nevana vangu kumunhu anoziva
chaiye munhu ane nhumbu ahafanire kuzvimba
kusvika apo zvinokanganisa vana vari
mudumbu vanotsva nebp vakafa ndikaita loss.

Akazoita kundisimudza kunondiisa mumoto ,


ummmm Brian aive nesimba hake nezvandaive
izvozvo dai aive murume wemanga manga
chokwadi aizodonha neni.

Takazooneka hedu torova pasi nemhuri yangu


ndainzwa hangu kufara kuti now ndawanawo
vekunoita nyaya navo uye vanonondibatsira
basa kana ari saTine changa chotovavarira
kuita chisikana chaicho uyu Tawe ndiye anga
atiwo samu zvekuti basa chairo aiita. Gogo
vake vanenge vaimudzidzisa zvese nekuti anga
akagwinya mwana wangu nyangwe achifamba
apo zvaingoratidza zvega kuti pane zvegadzi
remukadzi paachakurira. Kuramba moyo wangu
wongofara nekuda kwevana vandaive ndatora
kwakaita kuti kuzvimba kuya kupote
kuchiserera zvishoma nezvishoma . Takazosara
tosvika aaa ndatove nani chaiko zvekuti Brian
anga ofara manje hanzi now zvave better moyo
wangu wagadzikana pane zvazvanga zvave.

Takafamba hedu boe kusvika tichisvike,


taburuka hedu mumota ndokupinda mumba
neteam rangu sandi kufara ikoko.
Ndichingonopinda mumba chete kuita fanika
ndanga ndakateyewa mumba muya. Veduwe
ndakarwadziwa kani hamuna chamakaona
musi uyu dai Brian aida ndiye aizokuudzai.
Ndakaita kuya kunonzi kuitwa chibvuri bvuri ,
handina kana kupihwa mukana wekumbozorora.
Zvaiita kuti vuru vuru musana pasi peguvhu
ummmm guys ndakafunga kuti ndiko kwatove
kufa kwangu. Ndakatanga kusheedzera Brian
ndichimuudza kuti ndofawo here uripo apa iye
anga atozvizororera hake mubedroom.

Pasina nguva ndakanzwa shupa kuti paaaaa ,


ini aaaaah ko zvakwatova kupona nhaimi.
Uyuwo Brian paakanzwa kudaidzwa akaita
kuuya achiita kumhanya chaiko. Ko ndopaive
pamusha pedzunguka kkkk munhu kuita fanika
achandiwira aaaa apa ndachizvirwadzirwa
haiwa ndakamusundudzira ini hameno kuti
akanobatei kuti asadonha. Kana munhu
uchirwadziwa nenhumbu unoita rimwe simba
rinotyisa chairo zvekuti ukabata munhu haaa
unogona kutomugudura sebarwe kkkk. Haaa ini
ndairwadziwa asi simba range rawedzera.

Shasha yakazouya yadzikama manje apa


ndaive ndototumwa kugomera.

*Mbuya vaTawe*

Ndakanzwa baba Brian voti mbuya vaTawe


chimbouyai titaure pedu tega, ndakasimuka
zvangu but kwaitova kunetswa chaiko ko
dumbu racho ranga richazvibvuma
zvekungosimudzwa simudzwa here?

Hapana zvandaigona kuita kunze


kwekutoteedzera zvaive zvataurwa nababa.

Takazoti tave pedu tega ndipo vakataura nyaya


yekuti tikumbire vana vamai Tinevimbo kuitira
kuti muchembere uyu arerukirwe nekuti mhuri
yacho yanga yakamuwandira apa munhu aive
azvikurira hake.

Ndakaona hangu iri pfungwa yakanaka chose


uye taifanira kutobatsira chero pachikafu
chaipo nekuti pamba apa paive pasina kumira
mushe panyaya dzechikafu.
Takazobva kuseri kuya tawirirana ivo bambo
ndokusviko pira nyaya iya kuna gogo vaya. Iiii
pavakanzwa urongwa uhu vakafara
zvakanyanya vakati munenge mandibatsira
zvakanyanya. Izvozvi vana vese ava havasi
kuenda kuchikoro zvakasara zvovharwa
vatomira kare nenyaya yekudzingwa.
Zvaitonzwisa tsitsi shuwa mukurarama umu
mune vamwe vanhu vanorarama upenyu
hwakaoma nekuda kwezvinenge zvavawira.
Saka panoda kuve nemoyo unoda guys
tobatsirana nevanhu vakaita seivavo tisati kana
unemari kana kuti wakabudirira wotadza
kubatsirawo vamwe, Mwari havafari nekuita
kwakadaro ngatibatsiranei ndiko kuti Mwari
vawedzere paya pawatapudza. Hanzi kupa kune
mufaro kunokunda kugamuchira. Muupenyu
dzidza kupawo vaya vanoshaya kwete kungoda
kupihwa. Iko kupihwa kwagara hakuna
zvakunowedzera asi kupa ndiko kwakakosha.
Ngatibatsiranei nemoyo unoda ndiko kuti Mwari
vatiitire zvakanaka.

Takazovasiira mari yekutenga chikafu uye


takavambisa kuti kana zvikoro zvavhurwa
taizonobhadharira vana vaende kuchikoro.
Takasiya chembere wangova mufaro wega
wega ndokutora 3 girls vana vamai Tinevimbo
toenda navo hedu.

Vanamai musarwadziwa kuchengeta vana


kunyangwe nherera kana kuti ukawana murume
ane vana vake zvisakurwadzai kuti
ndinochengeta vana kwete kune vamwe vana
vekuti unogona kufunga kuti ndiwe uri
kumuchengeta izvo kwete iye ndiye ari
kutokuchengeta. Seipapa ini ndainzwa kufara
nevana vaya vataive takumbira ndainyatsoziva
kuti iyezvino ndazowana vachengeti vangu
vanondibatsira pane zvese.

Pamba pedu painge ponakidzawo zvino painge


patovewo nenoise ndaisaziva kuti kurarama
pamba pane vana hobho zvinonakidza kudaro.
Zvikati vaive vakatireniwa vana vacho pabasa
aive mabhinya chaiwo.

Nezidumbu rangu handina chandaive ndichaita


vaitoramba kana kuti ndibate basa.

Mushure mevhiki mbiri vana Mai Tawe


vakazouya kuti vaende kunobata maoko.
Pakave nekufarwa kani ndanga ndamusuwa
muroora wangu ko iwo matumbu kkkk zvanga
zvakapresa vamwene nemuroora. Aaaaah ko
tisu tadii ndezvaMwari izvo hameno ikoko regai
tizvizvarire isu hama dzedu dzinozotichengeta.

Ko kunobata maoko kwacho


kwakazomboendewa here Mai Tawe kuzvimba
kuita zvimwe , chandakafarira hangu mazuva
ake anga akwana kanawo angu aive akwana
hameno aizotangira umwe kupona kuti ndiani?

Vakazotora Tine naTawe ndokumboenda navo


kuholiday paive pasina chakashata hapo
aizombonowanawo vanomuvaraidza.

Takasara hedu zvakanaka kuzoti kuma zuva


rodoka ndipo ndakanzwa musana kurwadza.
Ummmm ndakanyumwa ini ndikati izvi zvoda
kunogarira kuchipatara ndaisada
zvekuzoponera pamba.

Ndakamboti shingei semunhu mukuru asi


marwadzo acho aiita kuwedzera zvakaita kuti
ndiudze sekuru vaTawe zvaivepo.

Nekutya kwavaiita ndakatonzi gadzira hembe


dzemwana ndinokusiya kuchipatara ndokuita
hangu seizvozvo.

Takaenda hedu kuchipatara kuya asi marwadzo


anga onyanya manje zvekuti ndakasvika
kuchipatara kuya ndaita kuibva chaiko
nemarwadzo. Ndoda iyo nhumbu yekuita
wakura apa wakaguma kuzvara kare.

Zvanga zvatove nechirevo guys kwakasvika


pakuedza ndichingorwadziwa kuswera
ndakadaro ndakatoona kuti ndiko kwaive
kwatove kufa kwangu chaiko nekuti chinguri
ndizvare vana vangu vaviri handina
kumbosangana nezvakadai. Sekuru vaTawe
ndivo vaive vonzwisa tsitsi ini ndaive ndongoti
chauya chauya panga pasisina yekutamba
chero zvazvaita.
Ndaive ndave muthree days manje nhumbu
ichingorwadza apa simba chairo ndanga
ndisisina chero rekupusha mwana wacho haaa
zvanga zvazooma manje. Ndakazoona sekuru
vaTawe vopinda mandaive kumazuva rodoka
ndokuti mbuya vaTawe pane
kwandambofambawo kune vanobatsira asi
ndaudzwa kuti pane zvinhu zvamakavanza imi.
Hanzi mukasazvidura munofa nenhumbu iyoyo
and hanzi makatakura vana vatatu mukomana 1
nevasikana2. Saka nyaya iripo apa mototaura
henyu zvacho zvamakavanza handidi kuruza
vana vangu. Munhu iyeye kutaura kwaaita
anoona mbuya vaTawe chero makahura
mototaura ndinokuregererai nekuti vana vari
mudumbu ndevangu ndinozviziva.

Kuda makanoita maths dzacho paya


pamakanga muri kumusha kwenyu taurai henyu
pakurwadziwa kwenguva yakareba kwamaita
uku. Mukasadura chokwadi munofa kana mune
zvamakanoita taurai handiti muri munhu
wenyama here mhosva ndinozvipa ini nekuti
ndaive ndakupanichai nguva yakarebesa.

Ummmm ndaive ndasivhura ziso ini kuti ko


baba ava vaitaurei nhaimi ndichihura kupi kuda
kana ndainzi ndidure hangu mbudzi mbiri dziya
dzandakapa sabhuku haa izvo ndaireurura
handiti vanga vandibatsirawo here.

Ndakavaudza kuti handina kumbohura ini asi


kuti ndakatora mbudzi dzenyu mbiri
musingazivi ndikanopa sabhuku ndichivatenda
kundibatsira paya kuti ndidzoke pamba.
Ndizvozvo chete zvandingadura hakuna
chimwezve chandakamboita ini.

Ko kuti sabhuku vaive voda kukorovhera chinhu


zvaizotaurika here vanhu vavirirwe votemana
nematemo kuti ndadii zvangu chero ndisina
kurara navo sabhuku vacho.

Mimba haina kumira kurwadza kuti ndaive


ndadura zvembudzi ko handiti ndizvo chete
ndaiziva here?

Sekuru vaTawe vakazama kubvunza kuti


hakuna chimwe chamasiya here Mai Brian
nekuti hanzi mukangodura zvinhu izvozvo
mobva matongobatsirwa.

Ndakavaudza kuti hapana chandaive


ndakavanza kunze kwenyaya yembudzi iyoyi.

Vakazoti saka regai ndidzokere kunonzwa kuti


chiii nekuti zvaataura kuti muchingopedza
kutaura mobva matobatsirwa hazvina kuitika
regai ndimhanye zvinhu zvacho zvandiomerawo
kana neni.
*Tsitsi*

Kuipa kwechimwe kunaka kwechimwe


kurwadziswa kwandakaitwa naBrian kwaive
kotondifungisa mweya wakaipa asi ndinoda
kungotenda mhama vangu. Vakasviko gara neni
pasi ndokundiudza kuti aisava wangu and
ndakakurumidza kuzvigamuchira . Ndakazoisa
nyaya yangu pasocial media sezvairi
ndichitsvaka rubatsiro.

Ipapo manje ndipo ndakatozowanawo wangu


mukomana aivewo akatambwa
yandakatambwawo saka takazowirirana hedu
and ndakamuudza chokwadi chese
chezvandaiva akazvitambira. Ndakaona kuti
ukasataura chokwadi inofa kwako. Saka
kutaura kuno ndakazoroorwa ndikabvisirwawo
mari ine mumvuri muchato wedu uriko next
month.
Ndinoda kungotenda Mwari nezvaakazondiitira
wo kurwadziswa kuya kwakazopinduka ukave
mufaro mukuru, ndakazowanawo munhu
👏
anondipa rudo runondikwanira .

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/BbF1ntACf9h8vrWl
mzQYRq

Her own decision

By Linda ana Mai Peace


0626317489

Chapter 49

*Brian*

Aizve zvandinoitirwa naSifiso ini ko ndoipi iyi,


kundisundidzira zvekutoposa kudonha chaiko.

Pandakadzoka kuya kwandaive ndadzadzarikira


wanikwe munhu ave kutogomera mwana ,
ndega ndakatoona kuti kuenda kuchipatara
yaitova too late.
Ndakangosviko mujima naye mubedroom
better anoponera hake mubedroom musina
vana. Ivo vana vacho ndakavaudza kuti
vambomira kuuya mubedroom. Ndakasviko
muradzika pacarpet uku munhu aive otogomera
uku akapfeka bhurukwa chero ndimiwo.

Ndakazoita basa kubvisa bhurukwa riya


munongozviziva kuti kana munhu akasimba
pant rinonetsa kukururika asi musi uyu
nemamiriro aive aita zvinhu handina kumboona
kuti ndaribvisa sei?

Mwana anga atove pamukova saka ndakabva


ndangomuudza kuti gomera zvine simba .
Sadoctor hapana chakambondinetsa, mwana
wekutanga akauya ndikagamuchira
ndikamugagadzira gadzira fast ndikapedza
ndikamuisa pabed . Apa ndaive ndaradzika Mai
vacho nedivi ndikati femai fast zvinoita imbwa
zviya. Kana kumbozvitsvaka zvangu kuti
ndainge ndisina kupfeka magloves ko ndaive
ndichaiwanepi nguva yekumbotsvanana
nemagloves. Asi dai aive umwe munhu asiri
mukadzi wangu yaaa ndaitoti ndipfeke
magloves. Ndakaona kuti ndikada kuti vana
vabude vese uyu atanga kubuda aizopindwa
nechando. Ndichipedza kugadzira uya aive
atanga kubuda ndakamuudza kuti chigomera
umwe mwana. Zvakangoita nyore nyore umwe
mwana ndokuuya ndakagadzira mwana uya
ndokumurarisa zvakare. Ndakachizogadzira
Mai vacho nekutovaendesa kunovageza. Ko
ndaigotyei kugezeza umwe wangu hapana
chinomboshamisa paya.
Ndichipedza ndakazoisa vanhu vangu mumota
navo kuchipatara.

Ndaive ndatovarairwa kuudza vana mhama kuti


kuno kwave nevana vaviri. Ndakazofonera
mudhara ndichivaudza vakafara zvisingaiti
vakati dzinza rakura.

Asi vakataura kuti kana mamha vangawo vasiri


kunzwa mushe vanga vatovaendesa
kuchipatara nekuti mazuva avo anga akwana.

Chero uri doctor zvongodiwa kuti zvese


zvinozonopedzeswa kuchipatara.

Takazodzokera hedu kumba nemhuri yangu


haaa Sifiso dzanga dzagwinya manje nhumbu
ma1 chaiwo inoitisa munhu sebenzi ndofunga
now ave munhu bho kuvengwa kuya kopera
manje.

Wanga wangove mufaro wega wega , ndaivewo


ndakatega nzeve kuti kuda ndichanzwa
mudhara voti kwave nemwana asi handina
chandakanzwa kusvika dzave 3 days.
Ndakatozofona kubvunza nekuti panga pave
nemazuva ndakati kuda vavarairwa
nemucheche vakanganwa kutiudzawo.

Asi vakati zvinhu zvacho zvaive zvisina kumira


mushe nekuti mhamha vaive vachiri
kungorwadziwa.

Haaa zvanga zvaoma shuwa ndakavabvunza


kuti ko madii kumbofamba kuti mutsvake
rubatsiro. Sezvo zvinhu zvose mazuvano kana
zvaoma unotomhanya kune vaya vanobatsira
zvinobva zvangoita. Vakati vane kumwe
kwavanga vamboenda saka vaizondiudza kuti
zvamira sei.

*Mai Brian*

Kurwadziwa ndokuziva kani ndaive ndaibva


hama dzangu zvekuti ndaive ndisisazivi chero
kwekuisa musoro. Chandaingogona chete
kungwarira kusatswanya vana vangu sezvo
vaive vanzi vatatu. Ipapo ndaibvumirana naye
munhu iyeye nekuti zvacho zvaiita mudumbu
mangu kana motamba ummmmm wega
waingonzwa kuti kana team yebhora revasika
inosara mbichana kukwana. Haaa 3 dai Mwari
vangoita kuti vana vangu vabude havo kana ini
ndichizofa ndofa hangu asi vana vangu vosara
vachirarama.

Ndainzwa kutsva pamoyo apa kuti Mwari vanga


vandiropafadza asi satan hamenowo
kwachabva nako chokwadi ndaivewo ndongoti
hameno chero zvazvaita nekuti chekudura
chacho ndaigochiwanepi sendakahura.

Ndaive ndongomirira kudzoka kwababa Brian


kuti ndainzwe kuti vanzii asi mweya wangu
waive wotoenda haaa uku ndiko kunonzi kufa
chaiko.

Nguva dzaifamba apa ndanga ndave muzuva


rechi5 zvakangodaro kana vana vacho vanga
votambira kure kure kuda vanga vanetawo
panga pazondoomera manje ndaive
ndangomirira nguva ini. Munoti zvaive zvaMwari
here dai zvaive zvaMwari vangadei
vakandiendesa kuzvipatara zvihombe
ndakanooparetwa hangu.

Ndakazoona umwe nurse ouya kundiudza kuti


ambulance iri kuuya kuzonditakura kuenda
KuGomo kuHarare nekuti zvanga zvoda
chipatara chihombe.

Ndakatoti yanonoka apa ndaive ndoitira vana


chete ini panga pasisina upenyu ndaizvinzwa
munyama dzangu. Ndaingoti chero ndikaona
munhu achidarika ndotobvunza kuti yasvika
here ambulance ko dzanga dzoita
sedzatokuruka.

Mungovaziva vanhu muchipatara kuti vamwe


vane rough sei umwe ndiye anokupindura kuti
inonzi mimba iyoyo umwewo oti
muchimbozvarirei makura . Chero ndimwo kune
vamwe vanhu vasina moyo chokwadi chero
mozogara. Kungoti kana uchiri kushandiswa
nasatan haumbozvioni unenge uchitoona seuri
kugona.

Ndakazonzi ambulance yave kusvika ndichi


gadzira nguva idzodzo ndipowo pakasvika baba
Brian. Ndakavaudza zvaivepo. Ivowo vakabva
vangoburitsa kagubhu kemvura kaive
muhomwe yebhachi, ndokuti " inwa munamayo
uyu unogona kukubatsira".

Semunhu aiva asisina choice ndakanwa hangu


ko kana warwaka chero munhu akauya netsvina
yembwa achiti inobatsira unotoidya kuti
uyamurike.
Ndichingopedza kunwa chete , aaaaa
zvandakaona mumaziso angu zvakandirovesa
nehana ndakavhunduka zvekuti kana ivo baba
Brian vakszviona vakati "ko chii"?

Ndakaramba zvino ndangoti tuzu kutuzura


meso zvaive zvave kwandiri kusarudza kutaura
kana kufa. Ndakatanga kugaya kuti once
ndangotaura chete zvinhu zvose zvaizoenda
mudondo. Ko baba Brian ndaiva zivaka muitiro
wavo nekuti nyaya iyi ndikangoitaura chete
yaigona kutozobanidzira kana vanhu vasina
mhama. Panga paoma kani veduwe zvino
ndaizozvigona sei?

Ndakatoona kuti apa better kufa hangu ini


pakuti ndiparadze musha wanga wonakidza
kudaro. Changa chandiomera apa kufa nevana
yainge iri mhosva hombe kunaMwari, ko
vatadza here kukasika kundioperata kwacho
vaburitse havo vana chero ini ndikasamuka
zvangu vana vararama hapana chakashata.
Ndakakaruka ndamataura mashoko aya zvekuti
baba Brian vakazvinzwa. Vakati " wati kudii
inyaya yei chaizvo yauri kutsunga kusada
kutaura kusvika pakuda kufa.
Wakambonyanoitei chisingatauriki inga chero
auraya munhu wani anobvuma mhosva yake
otongwa zvopera zvino iwe wotoshinga kuda
kufa pachinzwimbo chekungotaura chete
totangira ipapo tichienda mberi. Chero
wakahura dura zvako vana vangu vararame Mai
Brian."

Ipapo manje kuzoti totangira ipapo tichienda


mberi kureva kuti baba ava vaisazombonzwisa
panyaya iyi yaitozove nyaya yaizokonzeresa.
Haaa ndanga ndaomerwa hangu veduwe
handidi hangu kunyepa , ndaive ndongonamata
kuti ambulance yacho haichingonditakura here
vana vacho vanoburitswa zvavo ini hangu ndife
ko ndine basa rei chero ndokafa chikuru
ndasiya vanhu vachiwirana mumusha.

*Sifiso*

Ndainyatsonzwa kufara kani ndakatarisa vana


vangu kuti ndevangu here zveshuwa. Nhamo
yaive yangove yekunamatira mhama kuti mwari
avasunungure vabatsirwewo zvakanaka
pasawana chakashata chinoitika.

Kuzoti avemanheru ezuva rechisix vana


kungotanga kuramba kuyamwa mukaka moziva
kuti zvakandinetsa kuti ko chava chii futi haaa
zvanga zvakaoma hazvo.
Ndakafunga kuti zvimwe vachazonwa havo izvo
kwaani kurova pungwe vana vachingochema,
ndakapedzesera ndodemba kuti dai mai Tine
varipo havo ndaizovafonera vakandibatsira.

Takarara tichiita kuchinjana vana usikuhwese


kana Brian ahana kuenda kubsa musi iwoyo
zvanga zvatooma kani ndipo unoona kuti
mhepo dzinombosimuka shuwa.

Brain sadoctor akatomboedza zvese asi


hazvina kunyaradza vana vakaramba
vachingochema chete.

Ndakazoti kuna Brian wadii wambobuda


kutsvaka vanobatsira kuda tingayamurwa
nekuti vana vanozopedzera vakanganisika.

Ahana chaakataura asi kutongobuda


nekutoenda ko paida kuwana chekutaura here
ipapo munongoziva munhu kuti ukachemwerwa
nevana kuti unoita noway chaiko.

Kubuda kwakangoita baba vacho zvakabva


zvaita nani vaive vochema havo asi zvaive
zvachinja zvanga zvave kudzikira.

Mushure me2 hours baba Tawe anga adzoka


asi paakapinda chiso chake chaive nekusuwira
kukuru. Kupinda kwaakaita vana vakabva
vanyarara asi kuyamwa vaisada.
Ndakagara hangu kumirira kuti umwe wangu
achandisuma zvaainge awana kwaaive abuda
asi ahana chaakagona kutaura. Akaramba ari
ziii zvake uku akabata rushaya.

Ndakatozoita zvekuti nhai baba Tawe ko


tipireika zvamanowana honai kubuda
nekudzoka kwamaita vana vave nani.

Brian : Zvakaoma Mai Tawe handina


chandinokwanisa kukutsanangurira
ndatomukumbira muprofita wacho kuti auye
azotsanangura ega pamberi pako nekuti ini
handikwanisi hangu.
Moziva kuti urambe uchimanikidza munhu kuti
taura chete hazviiti asi kuti ini ndini ndanga
ndasiomerwa manje nekufunga. Moyo wangu
wakafunga kuti asi vaudzwa kuti vana vanofa
ko chimwe chavangatadze kutaura kwandiri
chiii ini handina imwe nyaya yandakamboita
yakashata. Nhema chete nyaya iri pavana vangu
zvimwe kwanzi vanofa ummmm apa Mwari
mandirasa chokwadi.
Kundiita zindakupa zindakutorera hre shuwa
ndakatanga kuchema zvakanyanya. Zvekuti
Baba Tawe akapedzesera onditsiura akati ko
ukazorwara nhaiwe iwe wochema vana
vochema saka achanyaradza umwe apa ndiani?
Dai wambosiya zvekuchema zvauri kuita
watove munhu mukuru zvimwe zvinhu zvinoda
kushinga.
Kuzondidaro manje aive otondinyanyisira
ndaiona sekuti iye anga atozvigamuchira.
Pasina nguva takazonzwa nock pamukova
ndipo baba Tawe akaenda kunovhura door.
Ndakaona vopinda vakadungamidzana neumwe
murume kureva kuti ndiye aive muprofita wacho.
Handina kumbomira ini kuchema ndaisatoda
kuudzwa zvekufa kwevana vangu nguva iyoyo
ndakabva ndatosimuka kubuda panze ndaida
kuti vasare vachiporofitana zvenhema voga
mumba imomo. Munhu tichida kuti abatsire iye
takarasima kuudza murume wangu nhema
dzega dzega ndizvo ndaivengera vaprofita
venhema senge iyeyu. Haaa ndaive
ndotosvotwa neniwo chandaive ndoitira kuti
baTawe vaende kumaprofita ndaive ndongoona
fanika kufa kwakaita Mai Tine kwanga kusisina
maprofita echokwadi.

Baba Tawe akazobuda kunditevera panze


pandaive ndabuda akatozoita
zvekundinyengetedza kuti ndibvume kudzokera
mumba muya. Ndakazoenda hangu mumba
muya ndakasviko gara vana vaive vakabatwa
naTine naTawe apa vanga vasisachemi. Tawe
ndiye akazouya newaaive akabata ndokuti
mhama mwana arikutsvaga mukaka
ndokunditambidza. Hana yangu yairova kuti
kutsvaka mukaka chaiko here kubva zuro vana
ivava vasina kumboyamwa. Apa mazamu angu
aive azvimba kuita zvimwe.

Ndakabva ndamuisa
zamu mukanwa mwana uya ndokutoona
achinwa hana yakatorova nemufaro.
Ndakatobva ndadeedza Tine kuti aiye neumwe
mwana ndizovayamwisa vese.

Ndakanzwa muprofita uya otaura kunabrian kuti


"handiti unoona kuti vana vave kuyamwa inyaya
yekuti midzimu yamai ava yaziva kuti chokwadi
chave kubuda pachena manje. Asi ipapa kana
mune nharo ndave kudzokera ndisina kuudza
mudzimai wako nyaya iripo nekuti mukati
memoyo wake andishora kudhara. Ini handina
kana sent renyu randinoda apa ndanga ndiri
kuda kungobatsira chete sezvo wauya
nedambudziko rako.

Hapana chinombodiwa kunze kwekuti


mudzimai wako azive chokwadi chete.

Asi nekushora kwaari kuita ini hangu ndave


kuenda asi muchazonditsvaka nekuti chokwadi
ichi chikasabuda idi muchanetswa nevana
kudarika zvavamboita kana kuzorasikirwa
neupenyu hwavo vana vachivadiki ava
havafaniri kunyanya kuchema kwenguva refu,"
Munhu uya akatosimuka nekutobuda kuenda ini
ndakangoti hanya nani rega zviende nekunyepa
kwazvo.

Brian akabuda kutevera kunonyengetedza


munhu uya ndakatosarawo ndichimudaidza ini
aivewo otopenga shuwa baba Tawe.

Pasina nguva vana vaya vakati vatanga kuita


fanika vane chavaruma kuchema kuita zvimwe
vese 1 time hana yangu yakarova ndikati asi
munhu uyu anga auya kuzogan'ira vana vangu
hre?
Follow this link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E
Her own decision

By Linda aka Mai Peace

0616317489

Chapter 50

*Baba Brian*

Chero ndakamboona munhu ane moyo


mukukutu ummmm mbuya vaTawe vaitove
kumberi chaiko. Ko ipapa chaivaomerwa nacho
chiii kuti vangotaura nyaya yavo vabatsirwe.
Ndaisatova nebasa nazvo ini ko Moses
akauraya munhu wani akamufushira
muchejecha asi Mwari havana kumurasa
vakatozomutuma basa guru chairo rekuendesa
vanhu vavo kunyika ine uchi nemukaka Kenani.

Ummmm ndaive ndotozvishayawo kuti yaive


nyaya yei chaizvo. Uone kurwadziwa kwavaiita
waibva watonzwa tsitsi.

Pandakaona kuti vaisada kudura nyaya yavo


ndipo ndakamhanya zvakare kumupofita uya .

Ndaida kunokumbira kuti andipe munamato


wekuti vataure nyaya yavo nekukasika vasati
vambotakurwa neambulance.
Ndakasviko ndokuwana madzibaba varipo
ndokubva vatondiudza zvaivepo.

Vakati hongu vakaita zvekutamba idi vanofa


zvese nevana nekuti nguva yekuti zvakavanzika
zvese zvibude pachena yakwana. Mwari vari
kuti ndinoda kuti mhuri yako irarame pakachena
pasina kana kuvandirana. Uye nguva
yekuropafadzwa kwemhuri yako yakwana asi
zvese izvi ndichazviita kana mhuri yako ichinge
yareurura uye kuziva zvakavanzika zviri
kurarama mukati nemhuri yako ndinoda umwe
neumwe azive paamire chaipo.

Sezvaunongoziva kuti vakadzi vanoomesa


musoro ndizvo zvavapo pakati pemhuri yako.
Izvozvi chero kumwana komana wako hakuna
kumira mushe mukaita zvekutamba
munorasikirwa nevana vese vari 5 nguva
inwechete imi manga maropafadzwa naMwari
zvemhando yepamusoro.

Pakataurwa nemuprofita izvozvo ndakanzwa


kupera simba chaiko mabvi angu aive oita
kubvunda kuti ko chii chaive chapinda mukati
memusha wangu. Musi uyu ndakademba kuti
dai ndakangofa hangu paya. Asi ivo baba
vangu ndizvo vakandidzosera here izvi ndiko
kukura kwedzinza here kana zvodai.

Madzibaba vaya vakazoti ikoko kwamave kuita


ndiko kunonzi kupedza nguva and panogona
kutofiwa mukazoona kuti zvinhu zvakaoma
zveshuwa.
Zvomotoita apa torai muteuro uyu mupotsere
kuside kuGweru kunogara vana venyu izvozvi
ndaona Mwari vapindira.

Imi motura munamato uyu izvezvi


motokurumidza nekuti apa tave kuda kukasika
kuitira kuti vasaoparetwe , tinoda vataure nyaya
yavo vobva vabatsirwa havo. Vakangotaura
chete hapana kana chinombozonetsa. Asi imi
kana nyaya iyi yataurwa moitawo semunhu
mukuru hazvidi hasha zvinoda kudzamisa njere
umwe neumwe ofira mhosva yake.
Mandinzwisisa here ipapo?"

Ndakati hongu ndokutora munamato wandaive


ndanzi ndipotsere ndokuita saizvozvo ,
ndakazotora uya wekunopa Mai Brian kuti
vataure nyaya dzavo.
Ko ndototi nyaya dzavo handiti havasi kuda
kudura here hameno chokwadi ndofunga
zvikukutu ini.

Ndakazotenda munhu waMwari uya


ndokufambisa ndichienda kumota kwangu ,
ndakaivhetemesa ndakanga kuchipatara kuya.

Ndakasviko vapa ndokutongonwa ipapo asi


ndakaona munhu oita kakuvhunduka nguva
iyoyo kureva kuti ane zvaaive aona mumaziso
ake. Nguva iyoyo akabva angotaura mashoko
ekutsidza kusada kutaura nyaya yacho. Ini
wacho ndipo moyo wangu wakatanga kurwadza
manje kuti kandi inombove nyaya yei chaizvo
yaita kuti munhu uyu ade kuurayisa vana vangu.
Apa ndaive ndotochema hangu mhuri yangu
yaive yoparadzwa nemunhu. Ndakatanga
kuchema chaiko ndakagara pachair yaiva pedo
nebed yamai Brian, ndakademba kuti dai
ndisina kumbodzokerana nemunhu uyu chionai
nhasi zvooitisa kuita bere rakapfeka dehwe
rahwai.
Munoti dai akasiya mabasa ake aizovanza here
nyaya ine mhini kudai.

*Mai Brian*

Pandakangopedza kunwa munamato uya


ndakaona chiso chaSofia mwana wangu
akamira pedyo nemunhu akamupa nhumbu apa
achieredza misodzi akanongedza kuna baba
vake kureva kuti aida kuti ndiudze baba vake
here nyaya yakaita seiyoyi.

Ummmm ndakaona zvakaoma ini ndakatsidza


hangu kuti better kufa ko zvaizomira sei kana
ndimiwo.

Hakusi kwaitozova kuparara kwemusha here


uku. Ummmm panga paoma kani ndaiti
ndikangosvinura chete ndaibva ndamuona
akaita kumira mberi kwangu chaiko.

Asi ndikatsinzinya ndaisaona chinhu ndaizoti


ndikasvinura futi ndobva ndamuona zvakare
apa anga oyeredza misodzi ineropa manje.
Zvanga zvaoma kani saka ndaizosvika riinhi
ndakatsinzinya kuti ndisamuone ndakaramba
ndakatsinzinya kuti ndisamuone ndipo
ndakaona ave kungoonekwa chero
ndakatsinzinya kudaro.

Ndakazoona ouya zvino pandaiva ndakarara


ndipo akati "mhamha taurai mweya wangu
uwane zororo udzai baba nyaya yamakavanza
ndinoda vagare vachiziva chokwadi and
vanofanira kuripiwa. Taurai henyu hongu
zvicharevaremera asi imi taurai chete munenge
mazvichenura.

Ummmm hapachina yekutamba apa better


kutongotaura mweya wemwana wangu uwane
zororo zvemberi hamenowo ndambozama
kunyarara asi zvaramba hazvo.

Ndakazomuka paya pandaive ndakarara kuti


ndinyatsogara ndiwane kuudza baba Brian
nyaya yaive yakaitika. Ndipowo Sofia
akanyangarika kuratidza kuti aive afara kuti
nyaya iya yobuda pachena.
Ndakati baba Brian , ndaida kuti vasimudze
musoro sezvo vaive vakatsinatira pasi.

Vakabvawo vangosimudza musoro apa


musodzi yanga ichitoerera kuratidza kuchema
apa meso anga atsvuka kuti piriviri.

Zvanga zvakaoma hazvo ndakazorovera moyo


kudombo ndokutanga kutaura nyaya iya asi
ndisati ndaitaura ndakakumbira kuti
vandivimbise kuti havana wavaizovenga
mumusha medu panyaya iyi uye kuti
zvaisazosandura chimwe chinhu.

Vakabvawo vangopindura nekukasika vakati


"ndicharegerera anenge akatadza kunyange
nyaya yacho ndisati ndainzwa asi
ndinokuvimbisa kuti uchingopedza kutaura
ndobva ndatongoregerera."
Ndave kutoda kuti ba Brian ndipo ndakaona
nurse achitopinda akati handei munopinda
muambulance yatomiririra imi itisai chinjai tione
.

Akabva angofamba kubuda ndipo ndakaona


Sofia amira futi mberi kwangu ndokuti mhama
taurai nekuti mave kuda kunouraisa vana and
zivai kuti vana ivavo vakangofa hamuzofi maita
rugare futi muchave wekuchema kusvika
mabata mudonzvo.

Handina kuda kuzoswerera ndakabva ndangoti


baba Brian Mwana wenyu Sofia aive amitiswa
nababa vaSifiso ndiko kusaka maiona
ndichivenga Sifiso asi ndazoona kuti Sifiso aive
asiri iye akatadza. Uye taive taronga
pamwechete namai Sifiso kuti nhumbu yacho
ibviswe sezvo Sofia aive amitiswa nemurume
wemunhu. Asi izvi zvaisazikanwa nababa
vaSifiso ivo vaitodawo kuchengeta mwana
wavo sekutaura kwaive kwaita iye Sofia.
Ndinokumbirawo musavenge sifiso rambai
mune rudo rwenyu paari musamubatanidzire
panyaya yababa vake chokwadi muroora wangu
ndinomuda. Ndiye chete anga achiita kuti
ndisadure nyaya iyi kwanga kuti kutya kuti
anozobatanidzirwa nekuti nyaya iyi yakaitwa
nababa vake.

Ndichipedza kutaura mashoko iwayo shupa


yakabva yangoti paaaa ipapo. Ndakanzwa
ndototumwa kugomera. Ndakakwira pabed
chopas nekutotanga kugomera , ko iro simba
rekugomera hameno kuti raive rabvepi munhu
aive ave nemazuva hobho ndisingambodyi asi
apa ndainzwa kugwinya kuita njanji chaiyo
Baba Brian ndivo vakatozogamuchira mwana
wekutanga uyu aiva musikana nekuti
ndakanzwa voti Sofia wangu adzoka. Manurse
vakatozomhanya vakawana umwe mwana
abuda kare wechi2 avewo kuda kutobuda .

Vakazopedzesa basa ravo vana vese vari vatatu


ndokubuda. Ward yose yanga yavharira
nekuchema kwevana vangu hapana kana
akabuda akaneta.

Asi chiso chababa Brian chaive chisina kufara


ndofunga vaive vabatikana nenyaya yavasevere
vavo. Ndiko kusaka maiona ndichiita sebenzi
kunge ndine moyo mukukutu inyaya chete iyoyi
yaive yaitwa nababa vemuroora wangu
ndaisada kuti Sifiso aroorwe pamba pangu , asi
kuti nditaure chikonzero zvaisaita nekuti yaive
nyaya iri secret.

*Brian*

Mai Tawe aitove agarwa nemhepo chaiyo


yekuda kuurayisa vana vangu ipapa chii
chaaisadharara kusada kuudzwa zvaivepo. Ko
nini ndaizozvitaura ndakamira sani zvangu
ndaikwana papi panyaya dzemusha yevanhu.

Ndakatevera hangu munhu waMwari uya


kuzama kumunyengerera kuti adzoke
azongotaura chete kuda kwamai Tawe kana
kusada hamenowo kuti vaizozvitambira sei?
Akamboda kuomawo musoro munhu wacho asi
ndakaramba ndongokumbira kusvika
tazowirirana ndokudzokera hedu kumba kuya
wanikwe vana hakusi kuchema ikoko.

Munhu uya ahana kuzoda kuswerera kuti


pamunondo pamusasa. Akabva angoti ambuya
ndinoda kuti mundipotsererewo munamato uyu
kudivi rekuCanada kune vabereki venyu izvozvi
muchitaura kuti ndinoda kuziva zvakavanzika
zvamusina kunditaurira.

Aaaaah zvinoitawo Mwari zvinoshamisa mai


Tawe uya akabvawo angobuda panze kuita
zviya zvaive zvataurwa nemunhu waMwari.
Munhu waMwari akaoneka akati pangu
ndatopedza vana havachakunetsei futi
zvandaita izvozvi ndizvo zvichaburitsa zvinhu
zvese pachena iwe nyayara chete. Wave
kuzoziva gwara rekunoroora manje. Kana pane
chanetsa kuchida kuzobatsirwa number dzangu
unadzo ndakupa.

Nyaya yanga yakaoma iyi guys handidi kunyepa


munhu kukura kusvika zero irori from noway
zvozongonzi vauri kuti baba havasiri ivo baba
vako kana ndimiwo unonzwa sei. Ndiyo nguva
yainge yatarisana namai Tawe iyoyi hameno
kuti paaizozvinzwa aizozvigamuchira sei?

Ndiko kusaka ndakaramba hangu kumuudza


ndiri ini ndakaona kuti nyaya dzakadai hadzidi
kuti iwe mukwasha udzitaure hazviratidzi kuve
nerukudzo plus mangwana kunozonzi ndiwe
wakazvibiritsa.

Zvinhu zvinoitwa naMwari zvinongoshamisa


kani pasina nguva ndakanzwa fon yangu
yoringer ndokuitora ndodavira hangu vaive
mudhara vaive vafona vachitaura kuti mhamha
vaive vabatsirwa vana 3 asi vaiti zvinhu hazvina
kumira mushe nekuti pakubatsirwa
kwamhamha vaive vadura kuti nhumbu yaive
yauraya sister yangu yaive yababa vaSifiso
ummmm zvanga zvakaoma kani.

Mudhara vairatidza kugumbuka zvakanyanya


zvekuti vaive vati mai Tawe aifanira
kutombodzokera kumusha kwake tomboona
nezvenyaya yababa vake. Uye vakati
vaigarisana sei naye ivo baba vake vakaita
makuna kuna mumusha medu. Haaa panga
paoma kani mudhara vaisatozivawo kuti kuno
kwaivawo kwabuda kuti Mai Tawe aisava
mwana wababa vaSifiso , handina hangu kuda
kuvaudza nguva iyi nekuti vaive vakanyanya
kugumbuka uye vaizozvonzwira vega.

Changu ndakabvunza kuti saka marongei zvino


nenyaya yacho.

Zvinoita zvinhu soka zvakaoma kani ko zvino


Sifiso wacho zvaari kunzi ahasiwo mwana
wababa vacho. Paita nyaya apa kwatongova
kuripisana ko pangagoitwa sei?

Vanotoripa havo baba vacho pane zvavakaita


apa patoita mukana ko dai vanga vari ivo baba
vaSifiso ndaizoushama here muromo kutaura
chimwe chinhu.

Zvino iye Mai Tawe zvaanzi akande munamato


tava kumirira kuona uye kunzwa kuti chii
chichatora nzvimbo.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision


Story by Linda aka Mai Peace💓

Chapter 51

*Narration*

Panguva yavaimanikidza mudzimai wavo


kureurura vaifunga kuti akangotaura chete vana
vakabuda vanobva vatongomuregerera . Chero
ataura nyaya yakaoma sei ? Asi nyaya
yakazodurwa nemudzimai wavo haina
kuvafadza nekuti vanga vasina kumbobvira
varota kana kufungira kuti zvinhu zvakadai
zvingaitike.

Vakagumbuka zvekuti dai baba vaSifiso vacho


vaive pedo pangadai pakaitika zvimwe.
Nechinguvana vakafonera mwana komana
wavo kumuudza zvaivepo uye zvavaive vafunga.

Kumufonera kwavakaita iye ahana kana zvake


kumbotirimuka kana kumboudza mukadzi wake
nezvenyaya iyi aitovewo nezvake zvaimunetsa
asi ahana kukwanisa kuudza baba vake aida
vazozvinzwira vega nekuti dai akataura
panguva iyi baba vake vaizoti ari kumiririra
mudzimai wake. Ko handiti nyaya dzese dzaive
dzangoti waya waya pachena saka baba Brian
vaizonzwira vega.
Vachibva kuudza mwana wavo nezvenyaya iyi
baba Brian nekutsamwa vakabva
vatongofonera baba vaSifiso straight
vachivaudza kuti vaida mwana wavo wavainge
vakauraisa vose nemukadzi wavo.

Vakataura zvakawanda vachipopota maererano


nenhumbu yaive yauraisa mwana wavo. Zvese
havana chavakasiya vaida kuti aone kuti vaive
voziva nyaya yose. Mafambiro ese azvaive
zvaita vakamuudza saka vaive zvino vachimirira
mhinduro kubva kuna iye muparanzvongo. Asi
ivo baba vaSifiso semunhu aiziva nyaya yake
yekumitisa mwana wevaridzi havana
chavakakwanisa kutaura . Zvanga
zvazovaomera nyaya iyi yainge yave nemakore
yaitika asi vaisaziva kuti munhu wavo aive afa
achibviswa nhumbu vakatozvinzwawo ipapa
zvinova zvinhu zvakavarwadza kusvika
pabhonzo chaipo.

Ukuwo ivo baba Brian vacho vanga vasinga


kwanisi kana kufema nekuda kwenyaya iyi.
Kugumbuka kwavakaita kwakaita kuti
vasambozowane nguva yekufunga kupa vana
vavo mazita asi mudzimai wavo aive abata
paya pavainge vati Sofia wangu adzoka kureva
kuti vaida kuti mwana apihwe zita rasisi vake
mushakabvu.

Saka musikana akatongozonzi Sofia, vakomana


vakatozotumidzwa naBrian nekuti mai vake
vanga vamuudza kuti baba vacho vanga
vasisatauri nemunhu kubva musi wazvarwa
vana. Saka akazoudza Mai vake kuti vana vainzi
Tawanda naTakudzwa.
Iyewo Brian anga akatumidza vake kuti Tafara
na Tatenda , zvekuti dai pasina zvinyaya
zvakangozonyuka mumusha umu mungadei
maifarwa zvakanyanya.

Vanhu vaive vasara vari panguva yakaoma


ndiye Brian namai vake. Vose kumativi kwavo
kwanga kusina kumira mushe. Ukuwo kumba
kwaiye Brian mukadzi anga ongogara akasuwa
nekuti aisaziva zvaitora nzvimbo paupenyu
hwake. Nemuti muprofita uya aive amusiya
akanuhen'a

Ukuwo kuCanada kwanga kusisina kumira


mushe kufona kwainge kwaita baba Brian
kwakaita kuti vaviri ave vachikonana manje
kusvika pekupedzesera. Chikonzero baba
vaSifiso vainge vasina kuziva kuti mukadzi
wavo aivepowo pahurongwa hwekubviswa
kwenhumbu yakazouraya munhu. Ivo
vaitongofungawo kuti akafa nezvimwewo,
yekubviswa nhumbu yaitove new one kwavari.
Vakatanga kurangarira zvose zvaitaurwa
nemukadzi wavo panguva yavaive vasati vave
kugara kuCanada.

Zvaive zvaomera Mai vaSifiso nekuti kuroorwa


kwavainge vaita nemurume wavo vainge
vatizira nenhumbu isiri yababa ava asi ivo vaive
vatoshinga kupomedzera munhu nhumbu isiri
yake. Asi zvakangozobuda pakupona
kwavakaita kuti nhumbu iyi yaive yakasiyana
nemwedzi mitatu chaiyo kubva zvavaive
vatanga kuzivana nababa ava.

Asi mai ava vakazokumbira ruregerero


kumurume wavo kuti avarege vagare havo. Asi
murume wavo aive atotsamwa zvekuti
akangovaudza pachena kuti aizoroora umwe
mukadzi . Ivo Mai Sifiso nekungwara vakabva
vangobvumira padenga.

Mazuva akafamba akave makore asi baba ava


pfungwa yekuroora mhandara vaingova nayo.
Zvinova zvakazova svitsa pakunotsvetsva Sofia
hanzvadzi yaBrian , nyaya iyi iye murume wamai
Sifiso ahanakuivanza kumudzimai wake akabva
angovaudza kuti aive abvumiwa naSofia. Ko
mwana airamba sei nekuti aive anyengwa
nemhene. Baba Sifiso vaive driver wema truck
saka munongovaziva vana vedu vemazuvano
kuti vanodawo zvinhu sei?

Mombondiregererawo pakudaidza kuti baba


Sifiso nekuti ndatojaira kkkkk handiti manzwa
henyu kuti mai ava vaive vauya nenhumbu yavo .
Saka kureva kuti Sifiso ahasi wababa ava.
Sofia aive anyura murudo natruck driver wake
aidriver achibuda kunze kwenyika saka mwana
aive aperera zvekuti baba Sifiso hazvina
kuvanetsa kupihwa poto and vakawana poto
yakavharika kuti ndiii chaiko vakaita
zvekukwatanura vega.

Kunopera kwemwedzi mwana ahana kuzoenda


kunguva yake akabvawo angoudza umwe wake
nyaya yaivapo. Zvinova zvinhu zvakaita kuti
murume uyu afare nechiitiko ichi akabva
angovimbisa umwe wake kuzoita
zvekunokumbira chaiko.

Zita remurume wamai Sifiso vainzi Tinashe


saka Tinashe akazosumawo mukadzi wake kuti
ainge amitisa mwana wevaridzi, saka aida
kuroora hazvina kumunetsa kutaura nekuti
inyaya yaaive agara aronga paya pakapesana
mwedzi yavo nekuti aive atozviona kuti aive
aroora tsotsi chairo guruvhani. Kutaura
kwakaita baba Sifiso havana kuziva kuti
vatoparira mwana wevaridzi.

Mai Sifiso vachingonzwa chete kuti murume


wavo ave kuda kutowana plus aive atomitisa,
vakamhanya nerweseri kuna Mai Brian
kunovavavira kuti mwana wenyu ari kuda
kundivhiringidza upenyu hwangu nekuti ari kuda
kuroorwa nemurume wangu uye anotori
nenhumbu. Vakataura zvakawanda vakati ko
vakomana vapera here zvooda varume vevanhu?

Munongozivawo kuti hakuna mai vanoda kuti


mwana wavo aite zvakaipa, Mai Brian
vakabatikana zvakanyanya zvekuti
vakazotaurirana namai Sifiso kuti zvainge
zvisingaiti kuti mwana wavo avhiringidze
dzimba dzevanhu.

Vakaudzana kuti vaifanira kutora matanho


vaviri ava panyaya iyi.

Mai Brian vakazonobvunza mwana wavo


nezvenyaya iyi asi ahana kuvanza akangotaura
zvaivepo kuna Mai vake. Vakazama kuonesa
mwana wavo kuti zvaisaita kuti aroorwe
nemurume wemunhu nekuti mukadzi wacho
aive asingadi zvachose.

Mwana wavo akarwadziwa nekuti aiziva kuti iye


naTinashe wake vaive nerudo rwakadzama and
Tinashe wacho aitoda zvekukumbira chaizvo.

Pakapera mazuva ndipozve pakazodzoka Mai


Sifiso vachitaura nyaya yekuti murume wavo ati
ahatombodi kuroora mwana wenyu
akatondiudza kuti isecret ndichangochengeta
mwana wangu chete saka zvitori nani kuti
mubvise henyu mwana wenyu nhumbu pakuti
mwana aitwe zvakadero.

Mai Brian vakaona iri pfungwa yakashata asi


paive pasina zvekuzviita nekuti vaitotyawo
kudzingwa pamba nemurume wavo kana
akangoziva chete kuti mwana ane nhumbu
aizoti unozivana nemwana wako. Saka
vakangozoshinga kuti nhumbu yacho ibviswe
hayo sezvo vakaona kuti zvaizoita kuti
vakonane nemurume wavo.

Mupabatisise vana baba kuti izvo zviya zvekuti


mwana sikana akatadza munobva maburitsira
mai vacho ziso kuti unoziva nyaya yemwana
wako. Zvitori zvinhu zvine dambudziko hombe
nekuti mamai anozofunga imwe fungwa
yakaipa nenyaya yekutya imi vana baba. Dzidzai
kuti pavana pakaita dambudziko regai
kupomera mukadzi asi kutoonesana kuti zvino
zvazvadai toita sei muri pamwe muchironga
mese kwete kunakurirana nyoka mhenyu
hazvina kunaka.

Vakazobvunza Mai Sifiso kuti kana vaiziva


mushonga wekubvisa nhumbu vavabatsire
ndipo vakaudzwa zvekwambuya vaDhela.

Mai Brian vakangozoshinga havo kuenda


kwambuya vaDhela asi vaisafarira zvekuenda
kun'anga asi apa vaive vaomerwa chete. Ndiko
kuzotanga kufambidzana kwakaita mbuya
vaTawe nambuya vaDhela.
Saka kufona kwakaita baba Brian ndiko
kwakazomutsa zvaive zvivete. Kuva kuCanada
kwaive kwaita mhuri iyi inyaya yekufa kwakaita
Sofia saka baba vaSifiso vakabatikana
zvakanyanya nekuti mukadzi wavo ndiye anga
aita hwenyakose.

Akafurira Mai Brian kuti vabvise mwana


nhumbu abva ikoko aibvazve aenda kumurume
wake kuti Mai Brian vari kuvava zvisingamboiti
nekuda kwekumitisa kwamakaita mwana wavo
zvekuti baba Sifiso vaibva vaita noway. Ndokuti
pakazofa zvino Sofia Mai Sifiso vakabva
vatoudza murume wavo kuti muri kutouya
kuzotemwa nematemo pano nababa Brian
nekuti hanzi maurayisa mwana wavo.

Ipapo manje ndipo pakazofunga baba sifiso


kuenda havo kunoshandira mhiri sezvo zvinhu
zvanga zvavaomera and nekurwadziwa nekufa
kwaive kwaita musikana wavo wavaidisa.

Kuenda kwakaita baba Sifiso, mai Sifiso


vakazoteverawo murume wavo kwapera gore
ndiko kwakava kugara kwavo ikoko havana futi
kuzoda kudzoka asi mhuri yavo vaichengeta
zvavo.

Baba Sifiso : Nhai Mai Sifiso huya pano,


vanodero baba Sifiso vachidaidza mukadzi
wavo aibika mushure mekunge vagamuchira
call kubva kuna baba Brian.

Mai Sifiso semunhu aive akangwarira vanodaira


vachitosiya zvese zvavaiita ko shasha yaive
yakafaraka isingambozivi zvayo kuti kunze
kunei and vakangosviko gara zvavo mujinga
memurume wavo semazuva ese.

Baba Sifiso : Nhasi unondiona kana waiti


wakangwara zvino nhasi ndoda kukudzidzisa
unochitaura chete chakatadzisa imbwa kutaura
iyo ichigona kunyenama.

Mai Sifiso : Maiweee kani ko zvondourawa


nhai veduwe ko ndatadzeiko baba Sifiso
zvomondiuraya ko munondidzipireiko?

Ndiani wauri kuti pwapwa Sifiso heeee imhosva


here kubvuma kukuchengeta nemwana
wako,unoziva here kuti wakauya nenhumbu
yako ndikabvuma hangu kunyara nyika kuti
ndozonzi ari kuchengeta mwana asiri wake. Asi
handina kuziva kuti kurera imbwa nemukaka
inofuma yokuruma. Chii chawakaita Mai Sifiso
mhosva yangu ndeyei chaizvo. Ndiko kusaka
waishinga kuti mwana wako aroorwe
kwandaida kuwana. Apa ndiwe wakaronga dhiri
rekuti nhumbu yangu ibviswe. Iwe zvawakauya
neyako yakabviswa nani heeee ndiudze nhasi
unochiona chete.

Kugara musango kudai mabasa ako iwe zvino


nhasi kungwara kwese ndinoda kukupedza.
Kurumidza kusimuka ipapo utore zvinhu zvako
ubude mumba mangu satan wemunhu, munhu
asina kana netsitsi dzose. Izvozvi moyo wako
muchena here wakaurayisa umwe munhu
handigari nenyoka yakadai.
*Mai Sifiso*

Ndakaita kusundwa ndichikandidzirwa panze


zvanga zvazondiomera manje handina kuziva
kuti nyaya iya yaizofa yakasvika munzeve
dzababa ava.
Ndipo unotanga kufunga kuti dai ndakaziva asi
zvinenge zvisisabatsiri nekuti dai ndakaziva
ipfungwa yebenzi chaiyo.

Ko zvino ndonangepi nhaimi mudhorobha imo


muno chokwadi chandakadya chapfuka.

Ndisati ndabuda pagedhe vakauya


vakandimonya nzeve vakati,"iwe benzi
kurumidza kufonera mwana wako umuudze kuti
handisiri ini baba vake. Umuudze kuna baba
vake wazvinzwa"?

Ipapo vachiti wazvinzwaka vakabva varegedza


nzeve iya vachiita zvekundisandudzira
kwakadaro uko.

Ndakanorovera pagedhe nehuma zvekuti


yakabva yatokukumuka nguva idzodzo.
Ndakarovera zvekuti kana anogomera mwana
anosara pasi nekuti ndaive ndarwadziwa kani.
Iye nyakundisandudzira kana kumbozvotsvaka
kutofamba zvake achiuya kwandaiva uku
akabata fon yaitoringer kuratidza kuti pane aive
ofonerwa. Ndakasviko pihwa fon iya ndokunzi
taura nemwana izvozvi kurumidza.

Ndakangogona kutaura mashoko


mashomanene ko zvaitaurika here kungoti from
no way wongokaruka woudza mwana. Asi apa
ndaive ndakaita kurindwa kuti nditaure saka
paive pasina yekutamba. Ndakabva
ndangotaura kuti Sifiso vaunoti baba vako
havasi ivo. Ndichipedza kudaro ndakadzosera
fon kumuridza wayo ivo baba Sifiso vacho
ndokuti udza mwana kuna baba vake izvezvi.
Ndakanzwa Sifiso oikwetsura mhere.
Ndakaramba ndakangobata fon iya ko
ndaizodiiwo, ipapo ndakanzwa kotaura voice
rechirume hanzi," ko chii nhai Mai Tawe"?
Phone yakabva yangokatwa nguva
iyoyo.Kureva ndiro raive zita remwana wake ko
ndaive ndakamboribvunza here naiko kugarika.
Zvino zvazvadai ndichanengepi?

Ndakafunga ruviri rutatu kuti ndosiya here


rugare urwu asi ndakaona kuti zvaisaita haaa
kana nemari dzanga dzina baba ava kungosiya
kweteka better kuronga zvimwe.
Haaa ndaive ndafunga pakuru chaipo better
kutonzi shirikadzi pakunzi ndakarambwa zvino
yavanga vatanga iyi taizosvitsa kumapena
chaiko. Vanombondiziva mushe here baba ava.

Ndaizoona zvekuita chete ava vanotopaenda


pasi vanototevera Sofia wavo vanonoloverna
kudenga ikoko.

Follow this link to join my WhatsApp group:


https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision


By Linda Mai aka Mai Peace

0616317489

Chapter 52

Narration

Nhamo haibvi pane imwe Sifiso aive otiwo


zvino ndazogara zvakanaka nekuti chikoro aive
apedza, madgree aive arimo mumba.

Uku nyaya yekuti mukomana wake aive oda


kuroora umwe mukadzi aive aikunda musi
iwoyo waawana zvichida kuitika. Uyezve Mwari
vanga vavaropafadza nezvipo zvevana vatatu
ndichireva naTawedzerwa uye matwins Tafara
naTatenda saka aive atoti ndakunda nhamo ,
chaive changosara kuchata nekuzotsvaka hake
basa asi zvebasa yaisave problem hombe
nekuti aiziva kuti aizoriwana.

Ndipo akarohwa nehana mushure mekunge


agamuchira call yaibva Kuna mai vake , yekuti
aisava mwana wewaaive achideedza kuti baba
kubva achizvarwa. Kutaura kwaiitwa panhare
apa kwaitoratidza kuti kwaive nekukonana
kukuru kwababa namai vake.
Akairidza mhere mwanasikana nekuda
kwemashoko akataurwa namai vake, asi
hazvina chazvakabatsira nekuti nyaya hombe
yaivepo kwaiva kutongofanira kuziva kuti ndizvo
zvaivepo uye kuziva kuna baba vake. Nyangwe
zvazvo aive anzwa kukonana kwevaviri ava
hapanawo chaaikwanisa kuita saka
akangofunga kuti vachagadzirisana havo.

Nyaya iyi yekunzi aisava mwana wababa ava


yakamudya moyo zvakanyanya kudarika kana
masituation ose aaimbosangana nawo hapana
zvakambomurwadza senyaya iyi.

Akaita mazuva asingadyi sadza achishaya kuti


otangira papi sezvo fon yamai vake yaive
isingapindi hamenowo kuti chii chaive chaitika.
Asi aive nezvakawanda zvaaida kuziva
maererano nenyaya yacho, ko zvagara
ukaudzwa kuti munhu wauri kuti baba ahasi iye
unenge wave kutoda kuziva vako chaivo baba
ndizvo zvainge zvave pana Sifiso.

Sezvo phone yamai vake yakanga yave


nenguva ichiramba kupinda akafunga kukwira
bhazi kuenda kumba kwaainge akurira
achirerwa nekuti aifunga kuti zvimwe
akambonogudhuza kutsvaka mumba aigona
kuzonowana information yaizomubatsira.

Ukuwo kuCanada kwanga kusisina kumira


mushe nekuti Mai Sifiso vainge vatsvakira
murume wavo vanhu kuti vavauraye . Hazvina
kana kutora nguva baba Sifiso vakashudhwa
nepfuti vari mumota ndokungofira pasport.
Ivo pavakaita izvi vakafunga kuti vagona asi
Tinashe anozikanwa nekunzi baba Sifiso
paakangofa chete mai vaSifiso vakabva
vatotangawo kupenga. Rimwe dzinza
hariurawe hama unozvisikira moto muziso
ndizvo zvakaitika pana mai Sifiso havana kuziva
kuti vatamba nemadhaka pasina mvura. And
havana kana kumbowaniswa mukanwa
wekuzama kudzingira asi kuti vakangoti kufa
kwababa Sifiso naivowo vachitotanga kudhunya.
Chero mukana wekuchema murume wavo
hauna kuvapo kana iyo mari yavaive vauraiyira
murume havana kuzoidya yakangotsakatika.

Munongozivawo kuti kana munhu uri kunze


kunenge kusina hama , saka hakuna
akambozoita hanya navo pavakatanga kupenga.
Vakangotanga kupenga vachingofamba ,
hamenowo kwavakanoguma kuti ndepi hazvina
akazoziva .
Ukuwo police payakawana chitunha chaTinashe,
vakatsvaka nyakuzviita ndokubatwa
ndokuvharirwa. Asi nyaya hombe yanga yave
pamutumbi wemufi. Vakatora phone yake
ndokufonera hama dzacho asi pakashaikwa
akamutsa musoro sezvo baba ava
vaisanzwanana nehama dzavo nekuda
kwemukadzi wavo. Mai Sifiso vaive vaita kuti
murume wavo apatsanurane nehama dzake
vachingoti vanotiroya,vaitova nechindaroiwa
pamuromo. Zvinova zvakazoita kuti hama
dzacho pavakanzwa rufu vashaya hanya
vakangoti mukadzi wacho ngaapedze ega
handiti anga akatora hama yedu here kuiitisa
zvese uye kutivenganisa. Ipapo vaitorevawo
shuwa nekuti kubva zvangoroora Tinashe
akabva atofurirwa nemukadzi ndokunovakira
kure chaiko and ahana kana hama
yaimushanyira nekuda kwehunhu hwamai Sifiso.
Chakanetsa apa hama dzaTinashe hadzina
kutozivawo kuti Mai Sifiso ranga ratova
dhunyasi zvaro. Raive rongofamba nenyika
richienda. Apa zvairwadza chete kune vaive
vapesaniswa nehama yavo uye kuna iye Sifiso
nekuti ndiyezve anga atarisana nemutoro
mukuru wekuchengeta mhuri yaive yasiiwa
nevaviri ava. Nyangwe zvazvo aisava mwana
wababa ava asi tese tinoziva kuti zamu guru
nderekwamai saka aifanira kusarasa vana
vamai.

Kupenga kwainge koita Mai Sifiso


vaisachemerwa havo nekuti ndivo vanga vaita
sarudzo yakudeura ropa saka kupenga
kwavakazoita it was *HER OWN DECISION*,
zvese zvavaive vakaita kupesanisa munhu
nehama dzake was *HER OWN DECISION*
zvakare, saka nhasi hakuna anogona
kurwadziwa nekupenga kwamai ava nekuti it's
*HER OWN DECISION* . Ndiyo sarudzo
yavakazobuda nayo mukurarama.Hanzi kuita
chakanaka kuzviitira uye kuita chakashata
kuzviitira hezvo mai Sifiso vakazvigan'a,vaiona
sevakangwara kubva kumashure kwese uko
vasingazivi kuti nguva inosvika. Ava vavafunga
kuti vagona kuvaurayisa vatozvizororera nekuti
kufa murau waMwari saka chero dai vasina
kuvaurayisa vaingozofa saka apa ivo maiSifiso
vazvigokera jambwa nerushava shava uye
kutsvakira vehukama ngozi. Nekuti zvingori
pachena kuti rudzi rwababa ava haruna kumira
mushe , zvaratidza zvega kuti munhu achingofa
azviita achitotanga kupenga saka hamenho
kumusha kwamai Sifiso kuti zvakamirawo sei
nengozi yavaparirwa iyi pamwe kutaura kudai
wangove mukushu mukushu wekufa kwevanhu
hameno tichanzwa hedu kuti zvichazomira sei
pamberi apo.
*Sifiso*

Upenyu hwanga horwadza zvino kana uri


wenhamo ziva kuti haufi wabuda munhamo
regai vakuru vakati nhamo urimbo inonamira.
Yangu nhamo yaisave yekusashaya chekudya
kana chekupfeka asi kuti yaive nhamo
yezvandaisangana nazvo mukurarama kwangu.
Ndaiti ndikabuda mune chino ndopinda pane
chocho zvaingoti nguva yandinoti ndagarawo
zvakanaka ndipo panongonyuka chimwe
chinorwadza kudarika zvese.

Ndichiri kufunga nezvenyaya yekuti saka baba


vangu vacho vari kupi uye ndiani ndipozve
pasvika shoko rekuti baba vaya vandaifunga
kuti ndivo vangu vashaika. Kutozama kufonera
Mai vangu vacho kuti ndinzwisise fon yavo
yaisaita aaaa zvanga zvatondiomerawo.
Kutofonera vana sekuru hanzvadzi dzaivo
mhama vaingoti hatina chatinoziva moziva
chero nesimba unorishaya. Kuti ndifonere hama
dzaivo mudhara zvaisaita handiti ndaive ndanzi
handisi mwana wavo here. Upenyu
hunombooma hama dzangu zvekuoma zviya
kudarika kuoma kuya kwamunoziva. Wangu
munyama wainge woita sewe zizi rinongoti
rikaonekwa kotonzi ratumwa chero
richizvitsvakira makonzo haro rinototandaniswa
kuti rauya kuzoshinhira vanhu. Handina hangu
kuita shau shau nenyaya yangu yekuti ndaisave
nababa. Asi ndakazofunga kuudza tezvara
vangu nekuti ndivo vaitova zvese zvangu
ndakaudza Brian kuti ndaive ndafunga kuudza
baba zvese zvaiitika iye akati ainge audza
mhama chete kuti baba vako vakashaya kureva
kuti vaingewo vakatoudzwa namuchembere.
Saka zvanga zvisisina need yekuvaudza hangu.
Ndakazoudza Brian pfungwa yandaive nayo
yekumboenda kumba kunotsvaka information
yezvababa vangu.

Brian akazongoona kuti better kuperekedza


mudzimai wangu kuitira kuti tiite mufamba
nyore. Hatina kuda kupedza nguva takabva
tatoronga rwendo rwacho.

Takafamba hedu bhoo takangonanga kumba


kwedu hatina kumboenda kwana Brian sazvo
ndaive ndafambira zvinhu zvakakosha
paupenyu hwangu ndizvo ndaida kutanga
ndagadzirisa. Zvimwewo zvinenge zvina Mwari
mukati ,tichisvika ndakangosviko nanga
mubedroom ndokusiya baba Tawe nevana
mumota.

Ndakapinda ndokusviko simudza bed


ndokutarisa ndakaona paine mabook akawanda
ndokumabudisa ese.

Ndakatanga kumaverenga one by one zvaiva


zvakanyorwa pahardcover ndichiisa uko.

Ndakazosangana nerimwe manje raive rakanzi


*Dairy of my life* ndipo ndakatanga kurivhura.
Ndichingovhura first page ndokuwana heanoi
mashura akabikwa. Zvechokwadi ndaisava
mwana wababa ava vanga vakanyora nyaya
yese yaive yakaitika musi wandabarwa uye
nekusiyana kwaive kwakaita mwedzi yavo
nekuzvarwa kwandainge ndakaitwa. Dzimwe
nguva kuva nechibook chako chaunonyora
zvinoitika muupenyu hwako chinhu chakakosha
chaizvo uye chinobatsira. Pandaive ndanzwa
nyaya iyi ndakambofunga kuti aive manyepo
mheno zvavaive vaitana asi apa ndakabata
chokwadi kuti zveshuwa ndaive mubva ndiripo.

Misodzi yaierera ndichiverenga hangu


nhoroondo yangu. Painge pakanyorwa zvakare
zita rababa vangu zvose nesurname. Zvinova
zvakaita kuti moyo wangu umboti nyevenukei
zvishoma.

Ndakambonyemwerera kuti at least zvanga


zvava nani ndanga ndave kuziva zita rababa
vangu asi mutupo manje panga pasina.
Zvairwadza , zvairema asi ndizvo zvanga
zvavepo ndiko kusaka baba ava vaisasimudza
musoro pane zvese zvaiitika ukuwo mhamha
vaipa pressure kuti ndigare ikoko chete kwana
Brian nguva yandaishungurudzwa. Haaa zvinhu
zvacho sooka anga ari ma1 chaiyo izvi
zvaitokunda ngoma kurira.

Ndakavatenda hangu baba ava


nekundichengeta kwavaive vaita uye
kusambondiratidza kuti ndaisava mwana wavo
kubva kumashure kwese uko.

Nyangwe zvavo vaive vafa asi mumoyo mangu


ndakavimbisa kuzomira nemhuri yaive yasiiwa
iyi.

Ndakazobuda kuenda kuna Brian nechipepa


chandaive ndanyora zita rababa vangu.
Handina kuda kumuratidza information yese
nekuti zvaisaita kufumura hunhu hwamai vangu
kumukwasha chaizova chituko mangwana.

Iye akazoti "better kana zvadai hazvichanetsi


kutsvaka tinozobetserana kuisa kufacebook
nekumawhatsapp groups zvinobva zvaita
nyore"

Ndakazomuudza kuti taifanira kuenda kwamai


Pamela kunotarisa vana kuti varisei
zvaitonzwisa tsitsi nezvaive zvoitika. Uku baba
vanga vafa uku mhama vanga vasisabatiki
hapana chataimboziva nekuda kwekuti fon
yavo yaisata.
Takaenda kuya ndokusvika veduweka
zvatakawana mwana wekwedu mudiki apa aive
ave ne11 years veduweeeka zvakaoma . Vana
mai Pame vanga vodinginda havo handidi
kunyepa. Mwana aive akaita kuora netsvina apa
chiiona kuonda guys munongonzwa imi ndiko
kusaka ndati nhamo haibvi pane imwe.

Vamwe vakazosvika vochibva kuchibhorani


kunochera mvura chiona tsvina yavaive nayo
ummmm zvairwadza kani.

Kuda vaizviita nekuti vaiziva kuti baba vacho


vanga vafa uye kuti mhamha vaisabatika.
Ndakazomhoresana navo moyo wangu
watosviba kare ndaive ndatofunga kutora
hangu vanin'ina vangu. Chaive changosara
kukumbira kuna Brian ko ndaizoita seiwo
pakadai. Ndaizosiya vana vachitambura here
rainodyika rikapinda hre sadza racho.

Takazooneka hedu ndokudzokera kwemusi uyu


handina hangu chandakataura asi ndaizoita
plan kuti vana ndive navo hangu ini.

Pandakaoneka vana vakatanga kunzwisa tsitsi


veduwe yoooo ndakazobvapo misodzi yangu
yoerera apa ziso ravaipihwa namai Pame
nderekuti munosara muchindiona. Mumusha
medu manga mapinda mhepo chaiyo
waisambonzwisisa kuti zviri kufamba sei. Asi
kudivi kwangu zvaive zvareruka nekuti ndaive
ndave negwara rekutsvaka vabereki vangu.
Hongu zvaisava nyore asi kutsvaka une kamwe
kahumbowo zviri nani pane kusaziva kana kuti
wotangira pai.

Takazoti tave munzira kudzokera Brian akazoti "


waona sei mai Tawe vana havana kugara
mushe dai taita plan shaa tatora hedu vana
chero ndikazoripiswa hangu kuti ndakadherera
asi better kutora vana togara vavo pane kuti
vana vadye nhopi ine goko isu tichifara
hauoniwo here kuti hazviiti shaaa"?

Brian akataura mashoko akanyenutsa moyo


wangu zvekuti ndakatoona hangu kuti murume
wangu aive nerudo. Takazowirirana kuzodzoka
next week taida kumboramba tichiedza fon
yamhamha tovaudza kuti tave kutora vana
tigare navo hameno pamwe yaizobvuma. Kana
yarambawo taingozotora vana chete panga
pasina yekutamba.

*Mai Brian*

Ndipo unongoona wega kuti moyo yevanhu


vechirume haina kunaka vanokuvimbisa
zvavasingazogoni kuita hezvo baba Brian vanga
vongogara riri dura kutsamwa. Asi vaive vataura
vega kuti ukangodura chete ndicharegerera.
Ndaive ndongogaro namatira muroora wangu
kuti asatutiswa hake ko munhu wacho kana
atsamwa ahadzokere kumashure. Ndakazofara
votaura kuti vaive vafonera ivo baSifiso vacho
vachivadza nezvenyaya yacho.
Izvo zvaitova nani kuti vanangane nanyakupara
mhosva pane kunetsana havo nemuroora
wangu asinawo chaanoziva.

Ndakazorwadziwa Brian ofona achiti Baba


vaSifiso vaive vafa asi vaive vaita
zvekudhuurwa ummmmm ndakarwadziwa
hangu . Uye akataura kuti vaisava ivo baba
vaSifiso chaivo. Iiiii nyaya dzacho dzanga
dzotoda kukora muto chaiko.

Ndakazoudzawo baba vekwangu nezvenyaya


dzese idzi vakabva vangoperawo mate
mukanwa nazvo. Vakatozotanga kufara hanzi
chokwadi munhu usatongera umwe munhu
nekuti kutonga ndekwaMwari. Hezvo ndanga
ndichifa kutsamwira munhu izvo nguva yake
yakwana. Vakati vaisazofa vakachengetera
munhu chigumbu zvakare nekuti baba Sifiso
vaive vatofa vasina kuyanana kureva kuti
wekuyanana naye pakugumbuka kwavainge
vakaita painge pasisina. Vanhu ngatisiyei
kusungirana zvigumbu chokwadi unosara
wakatsamwira mhepo iye munhu azvizororera
hake.

Vakazoti taifanira kuenda kunobata Sifiso


maoko uye kukumbira ruregerero pane
zvavaive vaudza Brian kuti Sifiso amboenda
kumusha kwake.

Takabva tatongoenda zuva raitevera taisada


kupedza nguva. Nyangwe zvazvo vaisava baba
vake asi taifanira kunomubata maoko sezvo
vari ivo vakamurera.

Takasvika hedu vakavarairwa hatina kunge


tavaudza kuti tiri kuuya ikoko takangoita
zvekuvajumha.

Vakaratidza kufara chose pavakationa ,


takakwazisana nekubvunzana mufaro
nekutobata maoko kwacho. Takazoswera hedu
wangove mufaro Mai Tawe natezvara vake
vainge vataurirana vakanzwana tezvara vakati
kwaive kukugumbuka kwaive kwaita kuti
vakataura mashoko iwayo. Zvino mai Tawe
wacho aisave nezishura akabva atoregerera
tezvara vake.

Tese taive tongonamatira kuti dai baba vamai


Tawe vachingowanikwa zvinhu zvareruka
nekuti vana vanga vatoti kurei.
Imwe nyaya yakada kuti batei Mai Tawe inyaya
yekuti step father vake ndivo vainzi vaive
vakonzeresa kufa kwehanzvadzi yaBrian. Asi
akakurumidza kukandira pfungwa yacho kure
akatoona kuti aizozviremedza nedzisi dzake
vaizongopedzerana nehama dzacho.

Muchato tanga tatoronga tapedza asi zvaisaita


kuti munhu achate pasina kuwirirana
nevabereki vake saka tanga tatomira negumbo
rimwe kuti tifambise hurongwa uhu.

Kana basa ainge ariwana rekushanda mubank ,


aizotanga hake mwedzi waitevera.

End of chapter.
Follow this link to join my WhatsApp group:
https://chat.whatsapp.com/KlnDeWvDSYTAkto
zQm0g0E

Her own decision

By Linda aka Mai Peace

0616317489
Chapter 53 finale

*Sifiso*

Zvaisava nyore asi ndakaramba ndichishingirira


chete zuva nezuva ndaotoona kuti ndakanda
nyaya yangu kwese kwese asi handina
chandakawana.

Handina kuora moyo vhiki yakasvika


pakukwana ndichingodaro apawo Brian nedivi
tichibatsira asi hakuna chakabuda .

Brian akazoti tiende kunotora vana


ndokutopinda hedu munzira. Takaronga kuti
taisviko vakumbira kuti toda kuti timboenda
navo kuholiday avaimboramba nekuti zvinenge
zvaive zvovakundawo. Kana zvadaro ndoziva
kuti vana havaizombobvuma kudzokera
taingozovaudza kuti vana varamba kudzoka
saka tave kugara navo.

Takasvika pamai Pame paya ndokuwana


ngoma ndiyo ndiyo. Vana vamai vangu
pavakandiona vakafara zvisingaiti veduwe ko
iyo tsvina. Zvakanga zvakatooma shuva kana
inda chaidzo vaitova nadzo ko iko kuzoda
kubata vana haaa zvanga zvakaoma kani ,
ndakangorega hangu vachibata ko zvaiita here
kuti nditi tangai mageza nekuchinja kuti
mugobata vana kunenge kwatova kutsvinya
chaiko.
Ko ivo Mai Pame vacho kunyara vaive vongoti
roi roi meso aaaa vamwe vanhu denga
havaripinde chokwadi.

Handina kuda kuzoda kupedza nguva yangu


ndakabva ndatotaura nyaya yangu nguva iyoyo .

Vakabvawo vangobvimira padenga kureva kuti


mhuri iyi yanga yave kutovasokosa chaiko.
Havana kana kumboti baba Pame havapo asi
vakangoti zvakanaka munenge matogona
ndizvo vana vakure vachiziva chirungu.

Ndakachiudza vana kuti vageze vachinge


tipinde hedu munzira. Vana vakafara zvandisati
ndamboona kwakagezwa fast ndokuchinja.
Hembe vaive vachinadzowo dzakanaka ,
ndakavaudza kuti vatore beg vaise hembe
ndokuita seizvozvo.

Takaoneka ndokupinda hedu muroad todzokera


Gweru kwedu.

Handina kuneta kutsvaka baba vangu


ndakaramba ndichingobvunza chete kwese
kwese. Kuvashaya kwandaiita kwainge
kwadzosera hurongwa hwese kumashure
ndaive ndoda kuchata ini handiti vana vangu
vanga vati kurei hre?

Ndakazoona kuti better kutochishandisa hangu


surname yababa vangu. Pese pandainge
ndonyora zita rangu ndaibva ndaisa surname
yangu chaiyo.

Ndakazoti rimwe zuva ndakatovarairwa hangu


ndokuona Mai Pame vouya kuibox kwangu,
kwava kubvunza kuti ko kutanga riinhi
kushandisa surname iyoyo.

Ndakatoshaya kuti zvinhu zvinobvunzwa munhu


here izvozvo ko ndoudzirwa navo here surname
yekushandisa.
Apa vaisambotaura neni chero kubvunza zvako
vana kuti varisei?

Asi kuzongouya kuibox kwangu vachindibvunza


zvisina basa aaa ndakambowekana ini handina
zvangu kuda kuvapindura ndakango blue tiker
ndokunyarara zvangu.
Vaisandiziva mushe ndaitove hangu nebp
yangu yekutsvaka vabereki vangu uye
yekushungurudza kwese kwavaiita vana vamai
vangu. Vana vaive vataura zves zvavaiitwa
havana kana chimwe chavaive vasiya. Panguva
yavaitaura ndakatombochema uye ndakaita
mazuva moyo wangu uchirwadza. Ukuwo imwe
nyaya yaindinetsa yaive yamhamha kuti
vaimbove pai chaizvo zvekutadza kana kubatika.
Ko kana vakarasa fon vaitadza hre kuve
nedzimwe number dzavaiziva nemusoro
vakataura havo nemunhu wacho zvaigona
kuzotobatsira kuti tizive chaitora nzvimbo
sezvo paive nedambudziko rerufu ranga tisiri
kana kuziva hurongwa hwaro.

Pandakarega kupindura mai Pame ndipo


vakaita zvekufona chaizvo . Ndakatoshaya kuti
vaimbodei chaizvo, ndakatombovaignore ini asi
vakaramba vachingofona chete kusvika
ndazongoona kuti rega ndidaire.

*Mai Pame*

Hapana chinhu chakaoma sekuchengetera


munhu vana vake iye asisakubatsiri kana nechiii
zvacho.

Kunyangwe zvazvo vaimbotumira asi


munongoziva kuti matakadya kare ahanyaradzi
mwana. Ndiyo nyaya yanga yonetsa zvino kuti
Mai Sifiso vanga vasisandicheuki. Kunyangwe
murume wavo aive afa ko ivo nemhaka yei
vatadza kuziva kuti ndine vana vanodya
everyday.

Kana neniwo ndanga ndisisina care nevana


vacho, ko ndanga ndichadei zvangu Pame
wangu aive ave kushanda saka ndainge
ndochengetwa. Chese chandaida aibva
angonditumira manga muchandiziva hre ko iko
kuchena haiwa handingatauri mungazoti ndave
kutsvinya.

Pakauya Sifiso kuzoona vana vekwavo


ndakatofunga kuti auyaka kuzovatora ini, moyo
wangu wanga watofara. Zvaindibowa kudyirwa
zvinhu zvangu nevanhu vaive vasina batsiro
kwandiri . Kana zviri zvemombe chero vakatora
zvavo mombe dzavo rangu danga ranga razara
handiti tairima tichishandisa idzodzo
dzekwasifiso kusvika tatenga dzedu.
Ndakarwadziwa paakasiya vana vekwavo
zvisinei ndakazowedzera kuvabata huyanga
nyangwe zvazvo vaindibatsira pabsa asi
ndaisambozvitsvaka.

Ndaive ndisisavadi pamba pangu ini


vaitondinyangadza kundifuvisa kudya zvinhu
zvangu kana iye Sifiso wacho kungouya
achiritaira akarembedza maoko kana 1 kg
zvayo yesugar hameno kuti aifunga kuti vana
vekwavo vaidyei ivo vabereki vake vaive vasina
chavaive vachatumira.

Haaa ndanga ndatove pamiedzo chaiyo vana


ava vaitoda kundibvisa pana Mwari.
Ndakasara ndikasvotwa chaiko paakasiya vana
vekwavo. Asi pasina vhiki ndakaona zvakare
tuturu tuturu vanhu vasvika ndikati kudazve
ndaigirwa grocery semunhu aichengeta vana
izvo kwaani. Kungoburuka zvavo mumota mavo
vachingozvifambira.

Ndakaboweka ini, ndakatozofara ndonzwa ave


kukumbira vana vekwavo ndipo ndakati Mwari
kudzwai.

Zvanga zvandibva shuwa pavakapedza kugeza


vana vacho vave kunorongedza hembe
ndakavatevera ndikavaudza kuti torai hembe
dzenyu dzese musasiya

Ko ndainzwaka kufara kuti zvandibvawo ini ko


ndiniwo ndanga ndadii ko taive nehukama here
kuva next door yaisava mhosva.

Mushure mezvimazuva vana vaenda


ndakazorohwa nehana kuona Sifiso akanyora
kuti Sifiso Mandizvidza. Aaaaaah zvakandinetsa
ini kuti nemhaka yei munhu uyu ainyora
surname yangu pakudii chaizvo kungoti iye
aisaziva surname yangu saka ndakashaya kuti
azviitirei uye kuti azviwanepi uye ari
kumbozama kuita sei?

Ndakabva ndatomuisira message kuwhatsapp


kuti kutanga riinhi?
Ahana kupindura akaramba arizi zvake uku
anga averenga message yandaive
ndamunyorera. Zvinorwadza sei guys kuti
munhu overenga message yako otadza
kukupindura apa anenge ari online.

Ndakasvotwa handidi kunyepa asi ndaisada


kumusiya akadero ndakazoita zvekufona
chaizvo.
Asi ahana zvakare kupika call yangu haaa uyu
munhu chaitova chirude chaicho kana ndimi
ndiudzeiwo. Apa aitoda kutamba nesurname
yangu , ndakaramba ndichimufonera chete
kusvika azodaira call yangu

Ndipo ndakamubvunza kuti ko nemhaka yei


aive akanyora surname iyi. Akatondipindura
nyobvo zvake maybe aive audzwa makuhwa
nevana vekwavo. Otika vana havana scret,
haiwa hanya nani handina basa nazvo ini
chandoda kunzwa chete nezvesurname yangu
yaari kuzvipa.

Sifiso : Mungabvunza kuti ndashandisirei


surname iyi asi inorambidzwa ko munhu
anoudzirwa here surname yekushandisa. Ko imi
makwana papi nhai Mai Pamela?

Uyu munhu aitoda kuonererwa chaiko ugoona


akakura akanyarara mwana iyeyu ko jinyu
akaridzidzepi?
Chero ndimiwo ndaitadza kupindurawo hre
ndaona munhu akazvipa surname yangu.
Ndakazomuudza kuti ndiyo surname yangu
ndosaka ndabvunza. Akaratidza kushamisika
ndokuti
"Ko munhu anonzi Christopher Mandizvidza
munomuziva here"?

Zvaaitova mashura chaiwo Sifiso andibvunza


hanzvadzi yangu yandaitevedzana nayo apa
yainge yakashaika last year ko iye aive
azviwana kupi zvese izvi.

Ndakapindura kuti ko iwe wakamuzivirepi?

Akatsanangura zvakandirovesa nehana


ndakaridza mhere ini aaaah zvaiita here
izvozvo hanzvadzi yangu yainge isina kana
kusiya budzi panyika iye munhu oti mwana
wake zvabvepi izvozvo.

Ndakazokurumidza kuzvidzora ndokuti regai


ndinyatsobvunza ndonzwa pamwe ichokwadi.
Asika zvinogona kuva chokwadi futi nekuti
hanzvadzi yangu akati aive aramwa kuroora
mushure mekunge musikana wake waaida
kuroora atizira umwe murume nenhumbu
nemhaka yekuti aiti handiroorwi nerombe. Saka
kureva kuti musikana waaigaro taura nezvake
kureva kuti ndimai vaSifiso asi neage yaSifiso
zvinogona kudaro.

Ummmm nyika idiki guys saka Sifiso mwana


wehanzvadzi yangu asi sei ? Ko sei
zvaisataurwa, asi nhasi from noway oti mwana
wekwaMandizvidza ummmm hameno regai
tigonzwa. Patoitaka nyaya apa,
ndakazomufonera zvakare kumuudza kuti
aifanira kuuya tozotaura nezvenyaya yaaive
ataura then kana panehumbowo hwakakwana
ndaibva ndazomutora kuenda naye kwedu
Mhondoro.

But panga pakaoma wena nerough yandaive


ndoita vanin'ina vaSifiso nhasi ofuma achinzi
mwana wehanzvadzi yangu chokwadi
ndonyarirepi nhaimi zvimwe zvinhu hazvidi
kudaro regai kwakanzi munhu wese ihama yako.
Ndazozviona nhasa ingogara uchiitira munhu
wese zvakanaka nekuti ramangwana
harizikanwe.

Sifiso akazondikumbira kuti ndikwire ini ndiuye


ikoko sezvo ainge asisina mukana nenyaya
yebasa. Ainge achishanda sa accountant
kuCabs bank.

Ummm ukarangarira kwaakabva achitambura


mwana uyu kurefu chaiko.
Asi ndoda kungotenda tezvara vake nekumira
naye kwavakaita chokwadi chero kukanzi
kunodiwa chiredzwa chinotofanira kupihwa ivo
nekuti kutaura pafeya hondo yavakarwa ihombe
chaiyo.
Ndakazogadzira hangu ndokukwira ndoenda
Gweru but nyadzi dzinokunda rufu dai dzaiuraya
musi uyu ndiwo ndaizofa chete.

Ndakasvika hangu ndokuwana vese vadzoka


havo kumabasa iye nemurume wake.
Ko ndaimboziva kuti paive pane mhuri yakadero
chiona vana vaye vaive vabva kwangu
kushambidzika kwavaive vaita ummm
hawaizomboti bufu kana kutaura chimwe
chinhu.

Ndakatambirwa zvangu nemufaro asi ndainyara


mabasa angu. Takakwazisana ndokutopinda
munyaya straight hatina kuda kuti pamunhondo
pamusasa.

Ndakabvunza kuti aive aziva sei kuti aive


mwana waChristopher hanzvadzi yangu. Iye
akarondedzera maziviro aaita uye kuudzwa
kwaainge aitwa namai vake paphone kuti ainge
asiri mwana wababa ava.

Ndakazomuti atambanudze maoko ake


tifananidza neangu wanika same same hapana
chaive chakasiyana. Ndakatanga kueredza
misodzi yemufaro kuti chokwadi hanzvadzi
yangu yaive yasiyawo budzi panyika. Iye
akandimbundira ndokutanga kuchema,
ndakapinda busy kumunyaradza asi aisanyarara.
Akazoti pava paya ndokunyarara ndofunga aive
ochema baba vake vaive vakafa asingava zive.

Ndakazoita phone yangu on ndokumuratidza


mapics ababa vake.

Aingoona hake misodzi ichierera, ndakazotaura


kuti taifanira kutokwira tese kuenda kumusha
kuti anoonekwa nevabereki vangu vanova
sekuru nambuya vake.

Hatina kuda kuverengera takatoronga kuti


taizoenda weekend sezvo pari ipo paive
nemukanwa. Ini ndakazodzoka hangu kuGweru,
vabereki vangu ndainge ndatovafonera
kuvaudza nezvenyaya iyi. Ivo vakati taizviziva
hedu rwedu rudzi haruroveri musango saka
huya naye tiite chikaranga chedu.

Pandakasvika pamba ndakasviko udza baba


Pame kuti zvechokwadi Sifiso mwana wekwedu
vakapindura vachitoseka havo hanzi saka
ndakatokuta muramu.
Takazorusimudzira rwendo rwedu nemwana
wehanzvadzi yangu takananga Mhondoro
kunorimwa nyimo dzine mbiri yekukura.

Takasviko gamuchirwa zvakanaka paive


patosanorongwa part yekupemberera mwana
ainge aziva nzinza rake saka part yaive
yekugamuchira.

Akaita kubairwa mombe chaiyo yoooo


pakafarwa kani. Kana iye Sifiso akazviona kuti
ainge apinda mumusha make chaimo nekuda
kwe well come yaakaitwa.

Zvikaranga zvakaitwa zvikadarika


ndokuzopinda manje mune dzimwe nyaya .
Vakabvunza zvese vakaudzwa kuti zvaive
zvakaramba sei. Takazoenda naye kumakuva
kunomuratidza painge pakavigwa baba vake.
Akachema zvakapisa tsitsi mwanasikana.

Takazodzokera hedu kumba takarara taizofumo


dzokera mangwana acho.

Akazoudza vana gogo vake kuti aida kuti


murume wake azobvisa roora sezvo aida
kuchata .

Vakati painge pasina chakashata asi kuti


vaizomirira date kubva kwavari. Pakataurwa
zvekare zvemombe dzainge dzakabviswa paya
mushure mekunge amitiswa ari mwana mudiki.
Mai Pame vakataura kuti mombe dzacho dzese
dzaive dzakabereka saka dzaive dzave 6 mamai
matatu nezvimhuru zvitatu.
Kwakarongwa kuti dzaifanira kutengeswa
kuitira kuti vanhu vazobatsirika kutenga zvese
zvaidiwa pamuchato nekuti kwainge
kwarongwa kuti vanotanga kuchata kumusha
kwasifiso then vozonochata zvakare kumusha
kwaBrian.

Hurongwa hwainge hwatopedzwa kurongwa


chainge changosara kuuya kuzobvisa pfuma
vozopanana madates emuchato.

Vana Mai Pame naSifiso vakazodzokera havo .


Ivo Mai Pame ranga rave basa ravo zvino
kuchimira nemwana wehanzvadzi yavo kuronga
zvese zvaidiwa .

Vana tezvara vaSifiso vakazofarawo kunzwa


kuti muroora wavo aive awana dzinza rake
vakaronga kunoroora ndokuenda havo
vachipedza zvemarooro vakabva
vatongokumbira muchato. Ndokutenderwa
zvavo hurongwa hwese hwakazofamba
negwara muchato wakaitwa both sides zvekuti
hakuna akasara achigunun'una munhu wese
akafadzwa nemuchato wevaviri ava.

Sifiso ainge ogara zvino achirota mai vake


vachiti mabhonzo angu arovera musango here?
Zvinova zvinhu zvaive zvomushungurudza
zvakare zororo chairo muupenyu anga asina.
Kwanga kwava kutoda zvakare kutsvaka gwara
kune vanobatsira onzwa kuti ozvifambisa sei
asi hope dzake dzaingova pachena kuti Mai
vake vanga vakafa kuburikidza nezvavaimuudza
kuhope.

End of the book

Ndinokutenda vatsigiri venganonyorwa dzangu


👏👏👏👏👏 ndokudai mese
😘😘 Ngatisanganei zvakare munganonyorwa
👍👏🙏
inotevera

You might also like