Professional Documents
Culture Documents
A Chance To Revenge
A Chance To Revenge
REVENGE
MUKANA
WEKUTSIVA
Lovely Rutendo Nzira
Page | ii
A CHANCE TO REVENGE
Page | iii
Table of Contents
ACKNOWLEDGEMENTS ........................................................... v
CHITSAUKO 01......................................................................... 1
CHITSAUKO 02....................................................................... 20
CHITSAUKO 03....................................................................... 41
CHITSAUKO 04....................................................................... 60
CHITSAUKO 05....................................................................... 79
CHITSAUKO 06....................................................................... 97
CHITSAUKO 07..................................................................... 115
CHITSAUKO 08..................................................................... 137
CHITSAUKO 09..................................................................... 156
CHITSAUKO 10..................................................................... 175
CHITSAUKO 11..................................................................... 196
CHITSAUKO 12..................................................................... 222
CHITSAUKO 13..................................................................... 241
CHITSAUKO 14..................................................................... 260
CHITSAUKO 15..................................................................... 282
CHITSAUKO 16..................................................................... 305
CHITSAUKO 17..................................................................... 326
CHITSAUKO 18..................................................................... 347
CHITSAUKO 19..................................................................... 371
CHITSAUKO 20..................................................................... 392
Page | iv
ACKNOWLEDGEMENTS
Page | v
I also want to thank Mr Munyaradzi Barnabas
Soka (Pearl Press Media) for the typesetting
and the layout of this book, and Prophet
Lister Simbarashe for the cover design. Their
technical support is much valued, always.
Many thanks too, to Zimbabwe Online
Writers Group for the support that they have
given me to make my writings better.
Page | vi
CHITSAUKO 01
Page | 2
Farirai akadaro achienda kuimba yekubikira,
Ezekiel ndokundogara pasofa.
Pasina nguva mukadzi akange adzoka
netireyi yaive netudyiwa ndokugara vese
vodya.
“Mangwana ndiri kuenda naTary
kuDomboshava kwamhamha. Time for our
monthly visit.” Farirai akadaro achinwa tii
yake.
Ezekiel akagutsurira ndokuti;
“Mundovafarisa. This time kubasa kune audit
saka kuri busy. Kwatove kushungurudza
kubasa kwedu, some departments are even
closed. The loan facility is closed, hatichina
kana benefit, zvinhu zvaoma.”
Akatarisa mudzimai wake ndokuti; “How is
business rako? Bhutsu dziya dzakapera here?
Waigona kundosiira amai kuDomboshava
vambokutsvagira some customers.”
Page | 3
Farirai akamboita nguva akanyarara
ndokuzoti; “Ndichavabvunza ndigoenda
nadzo.”
Ezekiel ndokuti; “Dai wamboshingirira
kutsvaga basa.”
Farirai akaseka ndokuti; “Inga ndiwe
wakandisiisa basa rangu nhai Eze? Wave kuti
nditsvage basa asi unotizve haudi mukadzi
anoenda kubasa. Haudi kubikirwa nemumwe
munhu asiri inini, hembe dzako haude
dziwachiwe nemumwe munhu. Handingaite
zvese.”
Ezekiel akanyemwerera achiti;
“Ndinongoramba kana riri basa rekunze
kweHarare. Kubatsirana nemari mumba
hakuna kumboipa. Tsvaga basa kana kuita
serious nekutengesa sezvinoita your own
sister, mainini Tary.”
Ezekiel akasimuka netireyi yake
ndokudungamidzana voenda mumba
mekubikira achiti; “Chimbondopa mhamha
Page | 4
bhutsu idzo vaedze kutengesa.
Vanongoedzawo, dzinogona kutotengwa
ikoko.”
Farirai akavhura musuwo wepanze ndokubva
vaenda kumberi kwemba yavo kwaive
nemaruva avaida kudiridza.
Uku kwaive kurukisheni rweWaterfalls
muguta guru reHarare. Ezekiel Mashiri aive
murume aive nemakore 33, nemudzimai
wake Farirai aive nemakore 31, vairoja imba
yese vachigara vari vaviri. Ezekiel aishanda
kuMetropolitan Bank muguta makare, ndiye
aive Investment Officer weBank iri.
“Maswera seiko baba namai Mashiri
vanangu?” Muvakidzani wavo akadaidzira ari
kune rimwe divi rewaya yaive yakaganhura
dzimba dzavo.
Farirai akasimudza maoko achinyemwerera
ndokuti; “Taswera mhamha, muri sei nhasi?
Ari sei makumbo?”
Page | 5
“Ndinawo mwanangu. Asi kwave kukwegura
kwatakabva kure, nyama dzaneta.” Mbuya
Chauke vakadaro.
Vakatarisa Ezekiel ndokuti; “Kuri sei kuBhangi
kubasa kwako mwanangu, Mashiri?”
“Kubasa kwakanaka amai, muri seiwo?”
Ezekiel akadaidzira vese ndokutarisa mbuya
Chauke avo vakange vabata waya yakange
yakaganhura zvivanze zvavo.
Mbuya Chauke ndokuti; “Chivanze chenyu
chakanaka vanangu, maruva enyu
munoachengeta zvakanaka. Mazuvano
handina muriwo ndakaisa mushonga wange
wave kupera nemakonye.”
Farirai akati; “Regai ndikupei mumwe muriwo
wabva kumunin’ina wangu. Kana neniwo
handina muriwo pano iyezvino.”
Farirai akapedzisa kutaura achipinda mumba
ndokubuda nemiriwo yakasiyana siyana
yaakange akaisa mudhishi ndokutambidza
Page | 6
mbuya Chauke. Vakaombera vachigamuchira
ndokuti; “Inga maita basa, zviya wakati une
hama inorima kupurazi?”
“Hongu mhamha, munin’ina wangu Tarisai
ane Plot kuMazowe.” Farirai akadaro.
Vese vakambonyarara vakatarisa munhu
aipinda pagedhe pambuya Chauke. Mbuya
Chauke vakamboita nguva vakatarisa sezvo
meso avo akange ononoka kuona zviri kure.
Vakazoti; “Ndiwe Janet, titambireka
mwanangu. Kwange kuri sei kubasa?”
Janet akambomira ndokuti, “Maswera sei
mhamha?” Mbuya Chauke vakapindura
vachinyemwerera vakatarisa mwanasikana
wavo.
Ezekiel naFarirai vakati vese nguva imwe
chete; “Maswera sei?” Janet akangovatarisa
ndokupinda mumba asina kupindura.
Vatatu vakambotarisana vachishamisika vese
asi hapana akataura chinhu. Mbuya Chauke
Page | 7
ndokuseka seka; “Haana kukunzwai Janet,
akaneta nebasa nekufamba kwaari kubva.”
Mbuya Chauke vakadaro vese
ndokumbonyarara.
Page | 8
Mbuya Chauke vakagutsurira zvinyoro nyoro
ndokuzoti; “Ichokwadi, imimi vanangu mune
muchato wenyu wakanaka. Raini rese rino
munozikanwa nekudanana zvinoyemurwa
nevechidiki vese. Dai Mwari achikupaiwo
mwana wenyu nhai vananguwee, mwana
anongodiwawo mumba. Ko mwana ndiye
maruva emuchato mumba kuti
muchinyatsoyevedza.”
Page | 9
Mbuya Chauke vakaregedza waya
ndokumboita nhendeshure vasina kutarisa
kwavaienda ndokuzoti; "Imi pedzisai
kugadzira chivanze chenyu. Toonana
mangwana vanangu.“ Vakafuratira voenda
kumba kwavo.
Page | 10
“Mati marii nhai tete?” Ezekiel akabvunza
achiongorora hembe iya.
Page | 11
rude woman anything. Nhai munhu haade
kukukwazisai asi anoda kuti mutsigire
business rake? It doesn’t work that way. She
is rude and disrespectful, opposite yaamai
vake vanofara nemunhu wese.”
Page | 12
Farirai ndokuti; “Mangwana tiri kundoswera
kuDomboshava kwamhamha naTary.”
“Ok, wondiudza kana madzoka.” Ezekiel
akadaro, ndokuti; “Ko amai vangu vange
vachiti vanenge vari kuChinhoyi kwamukoma
Gabriel, tigondovaona ikoko.”
Page | 13
Ezekiel akambomira akatarisa mudzimai
wake ndokuti; “We can just go and spend the
day ikoko tichionana nevamwe.”
Farirai haana kupindura akatanga
kugudubudza mapoto aaida kubikira.
Page | 14
“Wange warova wena, ndombokuonawo as
we catch up. Tosangana nguvai mangwana?”
Farirai akazobvunza.
Page | 15
“Ok sisi, toonana mangwana. Regai
ndimbobata bata mumba mangu ndakabva
pano kare.” Tarisai akapedzisira achiseka
nhare ndokunyarara.
Page | 16
Mbuya Chauke vakahotsira vachiti; “Ko akuita
sei?”
“Ndasvikawo zvakanaka pavange vari panze
apa ndikaratidza vaMashiri ma shirts angu
andiri kutengesa. Mukadzi wacho kuita
kubvuta mumaoko emurume wake
ndokundidzorera nhai. Ndozvazvinoitwa
here nhai mhamha?” Janet akatsutsumwa.
“Mai Mashiri munhu kwaye chaizvo.
Ndinofunga hamuna kungonzwisisana chete.
Kana pawasvika hauna kuvakwazisa
zvakanaka inga wani.” Mbuya Chauke
vakadaro.
“Saka vange vakatsamwa kuti handina
kuvakwazisa? Vanhu vanoita such grudges
kuti zvidiiko?” Janet akadaro.
“Waonaka kuti uri kungozvifungira wega
zvaunoda? Wave kuti vane grudge,
wambotanga wati havakuremekedzi nekuti
uri single. Wazvinzwepi?” Mbuya Chauke
vakadaro. Janet akaramba akanyarara.
Page | 17
Mbuya Chauke ndokuti; “Dai
wambonyatsowirirana namai Mashiri
mwanangu. Mukadzi uyu ane hunhu, uye
anogona kubata imba yake zvakanaka.
Nemurume wake vanowirirana chaizvo
mumba mavo. Ungatowanawo wako
murume pakati peshamwari dzavo.
Ndinosiona shamwari dzavo vakapaka
motikari pachivanze chavo vachitandara
zvakanaka chaizvo. Ndivo vanhu vezera rako
Jeni wena.”
“Mai Mashiri ishamwari yenyu mhamha,
kwete yangu. Izvozvo zvekugara
muchindiyenzanisa naye ndizvo
zvinondisvota kusvika kwekupedzisira. Kunge
ndiye mwana wenyu.” Janet akadaro inzwi
rakwira.
Mbuya Chauke ndokupindura vachiti;
“Handimbokuenzanisa naye inini.
Ndinongokuudza zvakanaka zvaanoita kuti
ukopewo. Nhasi dai vatotenga imwe
Page | 18
yehembe dzauri kutengesa dai uchiwirirana
navo. Kana iye Mashiri aigona
kundotengesera vekuBank kwake
kwaanoshanda uko. Zvino hunhu hwako
hwakushaisa makasitoma.”
“Ngavarege kutenga, ndichawana vamwe
vanotenga.” Janet akadaro.
Mbuya Chauke ndokuti; “Waona here
muriwo wavatipa? Uri fresh and uri
kunhuwirira mavhu nemvura. Rega tibike
tidye tizorore.”
Vese vakasimuka ndokuenda kuimba
yekubikira. Amai vakandogara pasi
vachicheka miriwo, mwanasikana achibika
akamira pachitofu.
Page | 19
CHITSAUKO 02
Page | 20
“Ndiri kungoti chete it’s just too much money
for one person, one homestead. Chii chimwe
chauchada kutenga? Inga wakatotenga zvese
wani. Ndakaona some groceries mukicheni
umo.” Ezekiel akatsutsumwa.
Page | 21
Farirai akambofunga ndokuzoti; “Ndosaka
ndakati undipe bank card ndivewo
independent ndichiita some things at my
own time.”
Page | 22
nambuya Chauke. Vese vakafamba
ndokusangana pawaya vomutsana.
Page | 23
Farirai akazhinya ndokuti; “Regai ndindogeza
ndibude amai. Ndokuonai manheru.”
Page | 24
yekutengera mhamha. Tiri kundovaona nhasi
saka mari yangu yakaperera ku groceries.”
Page | 25
Ezekiel abva andinyima mari.
Zvangondibhowa asi zvinopfuura hazvo.”
Page | 26
muchitoro umu, akakwazisa vese ndokutarisa
nguva achiti; “Sorry ndanonoka wena. Handei
sisi Farie. Tete tokuonai mumwe musi.”
Vakabva vabuda vese voenda pamotikari
yaTarisai ndokurongedza tunhu twavo
ndokunanga kuDomboshava.
Page | 27
code, tinofanira kusonesa African attires
nejira rechurch, uye mamwe mazuva ane ma
color awo. Saka ndinoda hembe three
dzekuenda nadzo.”
Page | 28
“Ok mhamha, asi ndinenge ndatokupai mari
yacho before monthend. Most supermarkets
vanotenga my veggies cash, vamwe
vanobhadhara in three days saka zvinoita.”
Tarisai akadaro.
Page | 29
Mai Tinarwo vakaseka ndokupedzisira
vachikosora vachiti; “Unoziva maprices here
iwewe? Tary akangotora mari yawaive nayo
kuti ugoti makaita mese, akange atopedza
ega. Handiti unoita mari yekukumbira?
Wakasiira chii basa rako?”
Page | 30
Degree anotadza kurikoshesa kusvika
pakadai seiko.”
Page | 31
Tarisai ndokuti; “Tichazotaura nasisi Farie
tionesane nhai mhamha. Patinodzoka next
time tinenge tave ne good news.”
Page | 32
Tarisai akambokwenya pakati pemusoro
ndokuzoti; “Sisi Farie, mhamha vari kuti
muitewo mari yenyu isiri yababamukuru Eze.
Chete.”
Page | 33
“Ndakapedza mhamha, ndopaye pandaiti
mukwasha wenyu Stanley akazviziva asi
haana kufara. Ndosaka ndakamuti
ndeyenyu.” Tarisai akadaro.
Page | 34
Farirai naTarisai Tinarwo vakabva pamba
paamai vavo. Vakamboita nguva
vakanyararisana Tarisai achityaira
mumugwagwa maive nemakomba
nemakoronga akawanda.
Page | 35
“Aiwa sisi Farie, mukadaro mave kurasika.
Mhamha vari kuda something chinonzi
chenyu. Inga vanogara vachitiudza
zvakafanana. KuPlot kwedu uko
nababamudiki venyu Stan tinoshanda tese.
Stan ndiye anotondibatsira, ndini
ndakatanga neProject yekurima, iye kwake
kubasa munokuziva.” Tarisai akatsanangura.
Page | 36
Farirai akadzungudza achiti; “Chii chiri kuitika
muupenyu hwangu?”
Page | 37
“Inga unotobvumirana nezvinotaura
mhamha, asi munombondinyeya?” Farirai
akabvunza.
Page | 38
akatsamwa kana kuti akutadzira, instead of
simply apologizing obva akuudza kuti they
are not remorseful nekuti iwewe une
dzakowo dzekuti nedzekuti. I just hope
hamuzosvitsani ikoko.” Tarisai akadaro.
Page | 39
kuBank kwabamukuru Eze? Ndoda
kundotora matwins kuCreche kwavo.”
Page | 40
CHITSAUKO 03
Page | 41
Pashure Lewis ndokuzoti; “Ndange ndauya
kuzotsvaga imwe loan, ndaudzwa kuti
hamuchapa maHome Loans in this bank. Ko
zvakatanga riini?”
Page | 42
“Hoo wave kutovaka kuStand iya
yatakatenga same time four years ago?”
Ezekiel akabvunza achishama na’i.
Page | 43
Lewis akasimuka achiti; “Ndakamirirwa
namadam wena. Rega ndichienda,
tozoonana mumwe musi.”
Page | 44
Akatsvagazve Stanley Zimunya murume
akange akaroora munin’ina wemudzimai
wake. Ndokuona mifananidzo yeimba
yavaigara kubva pachiri pasango kusvika
papera kuvakwa. Akatarisa mifananidzo yese
nemazuva aiitwa zvese ndokuona kuti vakaita
mwedzi minomwe kuvaka imba yavo kusvika
yapera vakandogaramo.
Page | 45
“Mukoma Mashiri, maswera sei?” Inzwi
rakadaro kubva pavanhu vaive muraini
rekuda kubatsirwa mubhangi umu.
Page | 46
Pasina nguva, musuwo wake wakagogodzwa,
ndokubva Janet apinda.
Page | 47
Ezekiel akambonwa doro raakange atenga,
akafinyama nekuti rakamuvavira, ndokuti;
“It’s Friday nhasi, uyezve this weekend
handisi kushanda saka ndoda kumbonzwa
mhepo.”
Page | 48
“Oh muri kuvaka nhai?” Ezekiel akadaro
mumusoro make achifunga nhaurirano
yaakange aita naLewis.
Page | 49
Ezekiel ndokuzoti; “Wange uchiti uri kuvaka?
That’s impressive for a single young woman
to do that alone. Inini nemukadzi wangu tiri
vaviri tiri kutozvitadza.”
Page | 50
Ingogadzirisai zviripo semafungiro amuri
kuita.”
Page | 51
“Asi zvevamwe zvakanyanya nekuti
zvinotoonekwa nevanhu vese. Kana
muchikwanisa kuzvivanza saka muchakagara
zvakanaka.” Janet akadaro.
Page | 52
“Zvakaipei izvozvo?” Janet akabvunza
achishaya kwaienda nenyaya.
Page | 53
ndoyakatenga mota yaamai vake nekuvaisira
durawall.”
Page | 54
ndozvavanoda.” Ezekiel akatsanangura
achiratidza kufungisisa nekurwadziwa.
Page | 55
Vakamboita nguva vakanyarara vachiterera
nziyo dzairidzwa, uye kudya nyama
yavakange vatenga.
Page | 56
prepared to separate. Akaziva kudaro
anogadzirisa.” Janet akadaro.
Page | 57
“Thank you so much, ndinofarira African print
shirts. Ndipei ndigokubhadharai.” Ezekiel
akadaro.
Page | 58
nhasi. Ndinoda kumbove pakati pehama
dzangu ndiwane simba rekuita zvimwe zvine
musoro.” Ezekiel akadaro.
Page | 59
CHITSAUKO 04
Page | 60
“Tichagara takadai kusvika riini? Kubva
neChishanu pawakandirega ndichienda
kuEastlea kwana Tary ndega, hauna zvauri
kutaura.” Farirai akatsutsumwa.
Page | 61
taronga tiri tese. Iyezvino ndave kungonyepa
kuti wairwara, kana vakakufonera kana kuuya
kubasa kwako, ubvume izvozvo kuti wakaita
diarrhea ukatadza kuuya kumba kwavo.”
Ezekiel haana kupindura zvakare.
Page | 62
Farirai akaita searohwa mbama nemunhu
waange achiseka naye. Akaramba akashama
muromo akatarisa murume wake. Pave paya
akazoti; “Wati chii Ezekiel Mashiri?”
Page | 63
Ezekiel akatarisa mukadzi ndokuti;
“Usandinetsa, I need my peace.”
Page | 64
kuti amai vangu vandakandoona vange
vakadii? Muroora asina hanya naamai
vakamuberekera murume. Ndakakuti handei
kuChinhoyi wakandinzwa? Ndakakuudza kuti
ndokwandaive on Saturday wakadii
kutevera? The same embarrassment
yawakaita uri kuEastlea ndoyandakaita ndiri
kuChinhoyi. Hama dzangu dzese
vachingobvunza kuti saka uchauyawo
kuzovaona riini.”
Page | 65
Farirai akabata musoro ndokuti; “Kana
ndikafunga kuti Tary akambondiudza kuti
ndozvauchandiitira izvi ndikamurambira
ndinorwadziwa. Akati mumwe musi
uchangofuma usina hanya neni
ugondipomera mhosva dzisipo nekuti hatina
…. mwana or…. anything chinotisunganidza.
Ndakatomuti anopenga chaiko.”
Ezekiel akabata musoro achifunga mashoko
akange ataurwa nemunin’ina wemudzimai
wake.
Page | 66
amai vako zvavanoda zvisingaperi. Iwewe
wega ndiwe usingazvione, vamwe vese
vanozviona. Inini I am just fed up.”
Page | 67
“Of course ndiwe uri kukonzeresa. Mari
yandakatora loan kuti titangewo kuvaka iri
kupi? Wakatora ukapa amai vako vakaisa
durawall. Imwe ukatora vakatenga mota.
Every month unotenga zvinhu zvatisina kana
isusu pano uchipa amai vako. Saka hauzvione
kuti ndiwe uri kukonzera hurombe hwangu?”
Ezekiel akadaro.
Farirai akabwaira misodzi ndokuyerera,
akabva ati; “Sei uchiita sendaiba mari yacho?
Inga zvese ndaikuudza wani. Mhamha vangu
vane vana vaviri chete inini naTarisai, tisu
tinovaitira zvese zvavanoda. Unoziva wani
kuti vakatama kuMasvingo vachiuya
kuDomboshava pakafa daddy, saka waida
kuti vaite sei?”
“Inini handina kuzvarwa handiti? Ko amai
vangu vanoraramawo sei? Iwewe sei uchiita
competition naTarisai ane business rake rine
mari yakatowanda kupinda yemurume wake?
Iwe une mari ipi? Saka inini mhosva yangu
Page | 68
kukuroora saka ndofanira kushandira
pakasiiwa nababa vako? Unotoona zvine
musoro izvozvo?” Ezekiel akanyunyuta.
Farirai haana kupindura asi kungobata
kumeso nemaoko ese ndokupfikura
kuchema.
Page | 69
“I admire the way you do your things Janet.
You have inspired me kuti ndichitangawo
kuvaka. Nguva yange yareba ndisina
kumbosvika kuStand kwangu asi nhasi
ndaendawoko, thanks to you.” Ezekiel
akadaro kuna Janet ndokumubata ruoko
vakagara mumota.
Page | 70
Ezekiel akatarisa Janet ndokuti; “Sei wadaro?
Besides zviri kuitika iyezvino, honestly
handina imwe problem naFarie. Zvave
kubudikira iyezvino ndingati ndoanonzi ma
long term problems atave kuona, nguva
yarebawo. Asi pazvaiitika makore ese
taisambozviona.”
Page | 71
dzinotaurwa taurwa, dzigotongwa nemunhu
wese mumhuri asi dzevamwe hadzibude.
That couple inongoshoreka so, nobody cares
kuti vari kubudirirawo here kana kwete.
Munhu wese mumusha anongotaura
zvaanoda pamusoro pavo zvekuseka
nekuvashora pasina kumbovakurudzirawo.”
Page | 72
Ezekiel akakwenya maziso ndokuti; “Asi
zvakadaro zvinokonzerwa nei nhai?”
Page | 73
imimi mumba menyu muneiwo, muri
kuiteiwo.” Janet akadaro.
Page | 74
kwanyatsondiratidza kuti zvandaifunga
ndezvechokwadi. Kunze kwaizvozvo, Farie
haana basa nehama dzangu. Hapana
zvaanotaura kana kuronga pamusoro pavo
sezvaanoita zvekumba kwavo.”
Page | 75
Ezekiel akatarisa nguva ndokuona kuti 10
dzakange dzachaya, vese vakange vave
kungoshama n’ai. Akamutsa motikari
ndokuridza mimhanzi vananga kumba
kwavo.
Page | 76
Ezekiel akasvika mukadzi arara ndokunanga
kundogeza. Paakabva kundogeza akawana
Farirai akabata nhare yake nehembe
yaakange akumura usiku uhwu.
Page | 77
off time uchiti uchazomutora hausi kuda
kuuya kumba.” Farirai akadaro.
Ezekiel akabaya baya nhare yake
ndokuramba akanyarara.
Page | 78
CHITSAUKO 05
Page | 79
kumba.” Janet akadaro akatarisa Ezekiel
achiseka, kunge aizviseka.
Page | 80
pasina zita rako saka haatombozive kuti
ndaitaura nani. Pakange pasina futi nyaya
yainzwika kuti pari kutaurwei, saka akashaya
chekutaura chaicho.” Ezekiel akadaro vese
ndokuseka vachifunga kuvhara nekupusisa
kwavakange vaita Farirai.
Ezekiel akabata Janet ruoko ndokuti; “I like
you Janet, the kiss meant everything to me.
Yakatiswededza padhuze. Ndakaramba
ndichikufunga zvekuti weekend yese
yakazopera ndisingachaone kuti ndine
munhu wandinogara naye mumba. Zvakabva
zvandiratidza kuti handione a future with
Farirai. Ndiwe wandinoda.”
Page | 81
“Ko mai Mashiri varipo vagodii?” Janet akada
kuziva nekuti kana iye moyo wakange wave
kumurume uyu. Wakagara uriko kare. Ndizvo
zvimwe zvaaimuvengera nekuti airatidza
kuda mudzimai wake zvakanyanya
asingamuonewo. Ko handiti zvainzi varume
imbwa? Iyi imbwa yaisahukura kwese kwese,
yaisadya kwese kwese, yaingotenderera
mumarokwe aFarirai. Apa wakange wazoita
muedzo wapinda mukapu setii, waifanira
kungonwiwa, womedzwa, zvipere.
Page | 82
Janet akambofunga ndokuzoti; “Kana
wafunga moving on neni worega
zvekuramba uchitaura nezvemukadzi wako.
Endai mundopedzerana nyaya dzenyu
zvisinei neni. Handingadewo relationship
yekungodemberwa zvaitadza munhu wako
wawakazvisarudzira.”
Page | 83
Akati; “Ndichauya ndokutora tigoenda
kundodya kuRestaurant in town tisati taenda
kumba. Handichadya kumba, kana
mubedroom ndakabuda. I need my time
alone.”
Page | 84
ndakange ndisingazive kuti tiri kuitei. Now I
know, we are in love.”
Page | 85
Kuda kana vaimboparadzana, pakamboita
mukaha pakati pavo, aizomuterera. Uye
akange achida kuzvipa mukana
wekumbounganidza mari yekuvaka
nekutotanga kuvaka kwacho mudzimai
asipo, uye asingazvizive. Kana
vaizogadzirisana pamberi apo, aifanira
kuzomuratidza kuti ndizvo zvandaireva izvi.
Semaonero ake, kana vaizoshanda vese
vachiwirirana, hapana chaizobuda.
Sezvakange zvaitika makore ese avakange
vari vese, mari yavaichengeta vachiziva vese
yaizongopedzisira yave kumba kwamai
vaFarirai.
Page | 86
yake nekubudirira muupenyu
vaizokumbirana ruregerero musi uyoyo.
Page | 87
Kunyange hana yairova paaifunga izvi, hasha
neshungu zvakaita kuti aone saizvo zvega
zvaizoita awane zvaaida.
Manheru emusi uyu Ezekiel akasvika kumba
Farirai akamumirira. Mukadzi akarongedza
sadza patafura ndokumirira kuti murume
achadzoka kuzodya kubva kuimba yekurara
kwaakange aenda. Nguva yakafamba asina
kudzoka kusvika Farirai atevera.
Page | 88
“Uchapedza kutsamwa riini nhai Eze tigarewo
mumba medu zvakanaka? Ndaneta
nekushaya rugare pano, handina kuzvijaira.”
Farirai akademba.
Page | 89
neyaamai vako. Ukawana nyama yakachipa
unotenga neyaamai vako. Ndine vakadzi
vaviri here kana kuti amai vako ndivo
vanotora nzvimbo yemwana muno mumba?”
Page | 90
kutaurirana kwacho nekuti hapana
kunzwisisana kwatichaita.” Ezekiel akadaro
inzwi rakwira.
Page | 91
chaiye akange asiye aive mumba mavo
mazuva aya.
Page | 92
Tarisai ndokuti; “Nothing much, asi kuti kana
vachitaura vanoita sekudemba things that
you don’t have mumba menyu. Vanotaura
kunge vanenge vachida kuti ndikuudzei kuti
mutsvage basa kana kuitawo some business
rinounza mari mumba menyu. Vanotaura
sevanoremerwa nezvinoda mari mumba
menyu.”
Page | 93
“Kuda hangu kungoziva.” Farirai akadaro.
Page | 94
vandakatanga kuona pandakazvarwa. After
seeing mum and nurses, I saw you, so I know
you too much vakoma vangu. Inga vamwe
vanototi tiri ma twins, handingatadze kuziva
kuti my twin is lying.” Tarisai akapedzisira
achidaro, vese ndokumboseka.
Page | 95
kunzwisisana naye ndingatoudza mukoma
wake kuti ataure naye. Kana akaziva kuti my
family knows his shenanigans anozoshaya
nyadzi. Ngatiregei aite hide and seek
zviperere kuseri ikoko.” Farirai akadaro.
Page | 96
CHITSAUKO 06
Page | 97
vakabvunza vaona kuti nyaya zhinji
vaingotaura vega.
Page | 100
“Was it necessary kuvatengera zvese zviya?
Vakange vashama here? Ivo vega amai vako
havagone kuzvitengera underwear yavanoda
kupfeka?” Vatete vakabvunza zvakare.
Page | 105
“Takadzidza tese kuSt Mathias naTongoona
uyu. Class yedu yese yaimuti sekuru Tongo…”
Farirai akadaro ndokumboseka ega.
Page | 106
Pamusuwo pakagogodzwa vatete Marita
ndokudaidzira kuti munhu apinde.
Page | 108
Farirai akange akagara pasofa raive padivi
akabata nhare yake achiverenga zvaive
paFacebook.
Page | 109
“Tiri vanganiko mumba muno? Handiti tiri
vaviri chete? Ndiri kutaura newe.” Ezekiel
akadaro nehasha.
Page | 114
CHITSAUKO 07
“U ndisiirewo
kundogadzirwa
mari,
musoro.”
ndinoda
Farirai
akadaro akatarisa murume wake akange
ogadzirira kubuda.
Page | 115
“Ndaisimbogadzirwa musoro nemari yani all
these years dzatagara tese pano?” Farirai
akadaro inzwi rakwira.
Page | 117
Ezekiel akabudisa mari yakange yataurwa
ndokutambidza mudzimai achiridza tsamwa
ndokubuda.
Page | 118
Vakatarisa mumwe wemadzimai ndokuti;
“Iwe Connie wange uchiti ndinonyepa here?
Ndakatoona kuti mumba macho
hamuchagariki wena. Pese pandaida
kutumira mari kuhama yangu yaizoenda
tamborovana. Ndikati ko handina maoko
here, ndikavhura salon yangu. Zvino ivo baba
ndovane salary inouya kamwe chete
pamwedzi. Muno mangu everyday ndinobata
kamari kangu, ndovave kutondikumbira.
Varume zvavanoita so.”
Page | 119
Farirai akadzungudza ndokuti; “I think
murume wako treats hama dzako
zvichienderana nezvaunomuudza. Kana
uchipota uchinyeya hama dzako, uchivaseka
nekuvashora uchimuudza, musi waunozoti
kuri kudiwa mari, anoramba.”
Page | 122
Mai Ano ndokuti; “Pakazoitwa manyaradzo,
haa, husbae vakaita muzukuru chaiye ane
rudo. Ndivo vakaronga zvese zvaida mari
nezvaida simba, kushanda chaiko. Ndikati
message sent and delivered. Asi maricho
angu pano handisiyi. Kugara uchikumbira
mari hakuite. Mari yekupiwa wambodemba
nekutsanangura inorwadza.”
Page | 124
Connie akamboseka kwaive nekurwadziwa
ndokuti; “Ndinoona nehasha dzandave
kuitirwa namai vangu uyezve business rangu
rave kunyatsofamba wena. Haaa
ndakambotambura wena. Mwana wangu
akatosvitsa 6 months ari mupenyu nezuro
ufunge. It’s a miracle nekuti ndaiita ma
miscarriages chete.”
Page | 125
Vese vakange vamuterera ndokubva ati;
“Hapana wena chandaibata chikabudirira.
Ndaingoti pandashanda handibhadharwi.
Apa mumba kana kubata nhumbu, asi
kutonzi muroyi anozvidyira vana
kwandakaroorwa. Kudoedzawo business
zvairamba. Pandaitengesa miriwo nemichero
yaiora yese kusvika ndarasa. Haa
ndakambochema wena. Ko amai vangu
kushamisika kwavakaita pavakaona nhumbu
yangu yasvika 8 months.”
Page | 126
“Inga ndiri kuti amai vangu chaivo
vakandibereka. Ivo chaivo ve 9 months
dzembiri.” Connie akadaro ave kusvotwa.
Page | 127
Connie akaseka achigomera ndokuti;
“Wakaudzwaka kuti unotanda botso kana
ukaziva kuti vari kukonzera nhamo yakoka?
Ndopari kutohwanda nanamai vakawanda
ipapo vachiroya vana vavo, and go scot-free.
Handina kumbovatuka kana kuvabvunza ini,
ndakangorwa navo mumweya sezvavaindiita.
Kana vange vasingandiroye saka sei
ndakazoita mwana iyezvino? Sei business
rangu rakabudirira pakangofumurwa huroyi
hwavo? Ko hope dzandinorota
vachindipopotera kuti Connie wandikuvadza
siya zvekunamata kunyepa futi?”
Page | 128
akaroora munin’ina wangu wavanoda. Zvese
zvakaipa vachiti dai zvaitika kwandiri.”
Page | 129
Ndokutizve; “Chandiri kuramba kuti amai
vanoroya mwana wavakazvara. Izvozvo
musafarisa asikana, hakuna zvakadaro.”
Page | 130
“Exactly what I am saying. Chinja shamwari
dzako, vanhu vauri kufamba navo vari
kukufurira kutaura zvisina maturo pamusoro
pemubereki wako.” Farirai akadaro.
Page | 131
wotizve hakuna amai vakadaro. Unoziva
nezvevarume vese, nanamai vese kubvepi?”
Page | 132
“Ndati zvaunoziva ziva zvedu tese, ko
dzemurume wako apengesana
nemuvakidzani wako uchadzifambira
riiniko?” Connie akataura achidaidzira.
Page | 133
Farirai naConnie vakatarisana vese
vachifemedzeka nekudikitira. Connie dzaive
hasha, Farirai dzaive nyadzi nekushamisika.
Page | 134
Connie akambomedza mate akange
omudzipa nekutaurisa; “Iko kuzouya ku salon
yepano yamaiti pasi pemuti, zvadii? Inga
ndimi maisitaura ma salon eku upmarket ku
town uko nekumaMall. Kwamunosangana
nama celebrity nevakadzi vemaMinister.
Haichabudaka mari yekudaro, yodyiwa
namudiwa Jeneti, fokoro apa mhani Ms
Know-All.” Akabva afamba ndokubuda
oenda.
Page | 135
Farirai akatura befu ndokuramba akanyarara
akatsikitsira. Mai Ano vakange vomuruka
vachiita musoro wekusaidzira kuti usumuke
varuke. Vaiita sevari kuruka mwana mudiki
akarara.
Page | 136
CHITSAUKO 08
Page | 137
Ezekiel akange atama mumba mavairara
vese, aida nguva yekutaura nemunhu wake
ari ega.
Page | 138
“Pinda mwanangu, kwakanaka here wabva
watenderera kuuya mumba chaimo?” Mbuya
Chauke vakadaro vatungamira
ndokundogara pamasofa vese.
Page | 139
muupenyu hwake. Misodzi yeshungu
nekunyadziswa naEzekiel yakayerera
namatama ake akatadza kuzvidzora.
Page | 140
“Pfambi yacho unoiziva here? Ndeyepi?”
Mbuya Chauke vakabvunza hana ichirova.
Vakabata bata mabhatani edhirezi ravo
rainge yunifomu kuti pachipfuva pavo
pasaonekwa kutakwaira sevakatakura dafi
nekurova kwehana.
Page | 141
nemisodzi yangu. Ave kunakidzwa
nekundiona ndisingafare.”
Page | 142
wenyu.” Mbuya Chauke vakadaro
vachibwaira bwaira.
Farirai akapukuta kumeso kwake
ndokuramba akanyarara.
Akatarisa nhare yambuya Chauke yaive
patafura ndokufunga zvaaida kuona mairi.
Akatanga kufunga kuti ovakumbira sei kuti
aitarise. Vakange vagara vakanyararisana,
vapedza kutaura nyaya yaakange afambira.
Page | 143
Hana yakarova achiramba achienzanisa
nekuongorora nhamba achidzifananidza.
Akatsveta nhare pasi ndokudzokera kugara
paakange asiiwa ari. Mbuya Chauke vakabva
vangovhura musuwo ndokupinda.
Page | 144
Farirai haana kupindura, asi akangofamba
ndokunanga kumba kwake.
Page | 145
Akazotumira meseji yaiti; ‘Saka small house
yako ndiJanet? Builder Jay? Sei wafunga
kudaro kumuchato wedu nhai Eze?
Ndakakutadzira chii?’
Akaona meseji ichiitwa blue tick, akaona
typing asi hakuna mhinduro yakazouya.
Akaedza kufona zvakare asi nhare
yakaratidza kuti yakange yadzimwa.
Page | 146
“Iwe Jeni, siyana nezvauri kuita nemurume
wemunhu usati wanyadziswa!” Mbuya
Chauke vakakwamatata vakatarisa
mwanasikana wavo paakangovhura musuwo
achipinda mumba.
Page | 147
Janet akatarisa amai vake achikwenya pasi
petsoka ndokuti; “Manzweiko nhai
mhamha?”
Page | 148
Vese vakagara pasi chinyararire. Farirai
aionekwa kufemera pamusoro nehasha
neshungu nekurwadziwa. Akaita nguva
achiedza kutaura asi achitadza.
Page | 149
yevakadzi inokonzeresa abuse
muchizvinamira pamusingadiwe.”
Page | 150
kuti Janet achandoti ari kunyeperwa obva
akumbira ruregerero. Dai zvirizvo zvakaitika
zvaizomupa simba rekundobvunzana
newake murume. Asi zvakange zvazotaurika
apa zvakamupedza simba.
Page | 151
mudzimai wanhasi? Muudzei kuti atsvage
zvekubata bata aite mari yakewo kwete
kumirira kungoombera seasina pfungwa.”
Page | 152
hwangu kusvika pakadai nhai Janet? Ko
zvekumba kwangu nemurume wangu zvinei
newe?”
Page | 153
Nezevezeve vakati; “Mai Mashiri mwanangu,
ndine urombo. Ndange ndisingafungire kuti
Janet angaite zvakadai. Ndapota mwanangu
usasiye imba yako.”
Page | 154
“Ezekiel, uri kutobvuma kuti musikana wepa
next door ipfambi yako? Uri kunditarisa
uchindiudza zvakadai Ezekiel? Asi
wakadyiswa? Wakashandisirwa mushonga
here nhai?” Farirai akadaro hana ichirova.
Page | 155
CHITSAUKO 09
Page | 158
uchanditevera. Uchazoripiswa iyo mari
yaunogara uchipopotera.” Farirai akadaro.
Page | 159
Vakandosvika ndokugara pakona
yemubhedha vakatarisana naye.
“Mhamha mamukirei nhasi? 5 ichangochaya,
endai mundorara.” Janet akadaro achishama
n’ai akatarisa amai vake.
Page | 161
“Haudaro mwanangu. Ndange ndichitofunga
kuti nditaure nehanzvadzi yako Cleopas.
Ndomuti makumbo angu anorwadza
agonditengerawo mota. Kana yauya ndiwe
unodhiraivha mwanangu, inenge iri yako.
Saka hauzopinde mumota dzavarume
vevanhu uchichemedza vakadzi vavo.”
Mbuya Chauke vakadaro.
Page | 164
kuti vasiyane. Ko inini ndadii hangu?” Janet
akadaro.
Page | 165
Janet akakurumidza kuti; “Ehe mhamha,
Ezekiel akatozvitaura kuti kwenguva refu
vange vasingawirirane.”
Page | 167
Dai matomukurudzira adzokere kumusha
kwake.” Janet akadaro.
Mbuya Chauke vakatendeuka ndokubuda
chinyararire.
Page | 171
Mai Tinarwo vakashamisika kuona Farirai
achisvika pamba nekamutundu kakati kure.
Vakamutambira ndokusiyana naye vamirira
kuti agotaura nyaya yake. Farirai hana
yairova, akange asingazive kuti amai
vachafungei nezvakange zvaitika pakati pake
nemurume wake.
Page | 173
Mai Tinarwo vakashama n’ai ndokuti; “Ufume
uchiuraya huku 15, ndine order. Ndinoda
kubuda nadzo na8 chaiyo, ndoda kumuka
dzave ready. Ugowacha maketeni eimba yese
uise manyowani akatengwa naTary. Iye haana
kuwana nguva paakauya ne grocery rake
nekuti akauya nevana vake matwins, vainetsa
musi iwoyo.”
“Ehoi mhamha. Good night.” Farirai akadaro
ndokusimuka ondorara. Mai Tinarwo
vakamutarisa kusvika apinda mumba
maairara.
Page | 174
CHITSAUKO 10
Page | 177
“Ndinofara zvangu makadiiwo. Ndiani wangu
uyu?” Babamukuru Gabriel Mashiri
vakanzwika kudaro.
Page | 178
odedemura nyaya yake kuudza hama
yemurume.
Page | 179
meaning iye neighbor wedu waave kuda
kuroora.”
Page | 181
“Ooohk, inga tiri kufambirana nhai mainini.”
Babamukuru Gabriel vakaseka. Farirai
ndokusekawo asi asingazive chaaiseka.
Page | 184
“Iyezvino mave kuziva, ko tinodzidza zuva
nezuva. Vakangwara chaivo vanodzidza
kubva kune zvinoitika kune vamwe. Asi
gurumwandira revanhu vane njere
dzakangodai dai, ndovanoti ‘we learn from
our mistakes, experience is the best teacher.’
Zvino pamwe panoitika experience
nemistake yacho unobva wazoshaya second
chance. Saka zvakakosha kudzidza kuma
mistake evamwe, nema experiences
avamwe.” Babamukuru Gabriel vakadaro.
Page | 185
Farirai akadaro nemoyo wairwadziwa
nekupererwa.
Page | 186
Farirai akapukuta kumeso kwakange
kodikitira. Kana muhapwa mese makange
matota nedikita, nhaurirano iyi yakange
yamuremera nekumurwadza zvakanyanya.
Akabwaira bwaira maziso achipisa neshungu
nemisodzi isina kubuda.
Page | 187
muchatevera asi hamusati mauya kuzoti
tigare pasi titaure nyaya dzenyu.” Vatete
Marita vakaparura nyaya.
Page | 188
“Makambonyanyotadzirwa chiiko
chamakatadza kumuregererawo?”
Page | 189
kutsvaga basa here? Pese pamaiita
zvekushanyirana inga ndaimupa mari wani,
sei mange musina basa nazvo kuti awanewo
mari yake?” Ezekiel akatsanangura.
Page | 190
“Hi babe, handiti tiri kutanga nekuenda
kuStand kwako nhasi? Sorry, ndange ndisina
kuona kuti mune vanhu. I will call, bye.” Janet
akadaro ndokudzokera kumashure.
Muhofisi umu makambonyararwa.
Page | 191
mukaramba muchindimanikidza kuti
ndidzokerane naye she will be a victim of my
anger. Handidi kuti andifunge in my worst
behavior. Sezvamaona, I have moved on,
Farie should move on too.”
Page | 192
Manheru aya, vatete Marita vakaperekedza
Farirai kuDomboshava kwaamai vake.
Vakandomubatsira kutsanangura mamiriro
akange aita imba yake. Mai Tinarwo
vakaterera kusvika vatete vapedza kutaura
nhoroondo yemwanasikana yekwaakange
akaroorwa.
Page | 193
Vatete Marita vakabva vati; “Imbomupai
nguva yekufunga, iyezvino achine dzungu
rekujaira kuti she is divorced. Ndichatevera
munyai wavo atipe gupuro ndiwane kuudza
vana baba kuti mwana akadzoka.”
Page | 194
Akandogara pamubhedha wake ndokubata
bata nhare yake. Akamboda kufonera Ezekiel
asi akafunga kechipiri ndokusiyana nazvo.
Akatanga kutarisa mifananidzo yaive
munhare make achiona yese. Yaitaura
nhoroondo yaakafamba nemurume
wekwaMashiri.
Page | 195
CHITSAUKO 11
Page | 196
Musi uyu Farirai akange afonerwa navatete
Marita vachiti vakange vachida kumuona
varonge rwendo rwekundohodha kunze
kwenyika.
Page | 197
“Oh, ndakachinja phone number, nekuti
ndakachinja kwekugara ndikachinjawo
mashamwari. Ndakange ndisingade kuramba
ndichiudzwa kuti Ezekiel ari kuitei. Kana
kubvunzwa kuti sei takasiyana. So kuchinja
cell number kwakaunza runyararo muupenyu
hwangu.” Farirai akadaro.
Page | 198
“Ko hauzive kuti vakarambana here?
Pawakabva paye havana kumbozopedza
gore vachiri kuwirirana. Vakatukana
vakakandirana mbatya panze. Mashiri
akaudza Jeni kuti ndiwe wakandirambanisa
nemudzimai wangu.” Mbuya Chauke
vakadaro ndokuseka zvekubuda misodzi.
Page | 199
“Janet akawana mukomana wezera rake,
ndomazera enyu mese naMashiri. Uyu haana
kumboroora, haana mukadzi. Vari kutoronga
kuzoroorana nekuchata muna December
imomu, patosara mwedzi miviri nehafu.
Akatomisa hurongwa hwese ihanzvadzi yake
iye Janet, Cleopas. Anogara kuGermany
ndiye baba saka tinotomumirira. Ndiye
akaisa dheti raDecember, dai zvisizvo kana
pana October apa vangadai vakatoroorana.”
Mbuya Chauke vakarondedzera vachifara
chaizvo.
Page | 206
“Kana iye Eze handina kumuudza kuti
ndakange ndanzwa zvakataurwa namai vake.
Ndaifunga kuti ndiko kusarudza rugare. Tete
handikwanise kutaura zvakaipa pamusoro
pamai vemunhu. Kufunga kwangu ndaiti
kana mai vaEze vachida chinhu ngavaudze
mwana wavo avape zvisinei neni, nekuti inini
havandide.” Farirai akadaro atsikitsira.
Page | 207
Farirai akaoneka vatete vake ndokutyaira
motikari yake odzokera kuDomboshava.
Akawana amai vake vakagara panze
vachiratidza kuti vakange vabva mugadheni
mavo. Akabudisa zvese zvaakange atenga
ndokupinda nazvo mumba. Akabva adzoka
pakange pakagara amai vake ogara navo.
Page | 208
“Aiwa mhamha ndinoda basa rangu
reMarketing. Vati ndiuye kuzotanga basa
vhiki inouya iyi neMuvhuro.” Farirai
akarondedzera achifara.
Page | 213
Musi weChishanu masikati, Ezekiel Mashiri
akashanyira mukoma wake Gabriel
kuChinhoyi. Nguva zhinji paakange
asingaende kubasa, akange oenda kumba
kwamukoma.
“Nhai babamudiki, zvino mainini Janet
zvavakangoti muchibva kuno kuma intro,
muchitondorambana muchadii? Inga nguva
yafamba wani muri mega? Ko madii
kungodzokerana nemudzimai wenyu mainini
Farie nhai?” Maiguru mai Gabhu vakadaro.
Page | 214
Ezekiel akakwenya huma ndokuti; “Ichokwadi
amaiguru. Janet akangopinda mu
relationship kuzogadzirisa zvaainzwa
ndichitaura pamusoro paFarie, she was never
herself. Zvakazoti zvapera, pasisina influence
yaFarie, takatanga dzeduwo.”
Page | 218
“Padiki padiki, ichapera hayo. Chakakosha
kuti pane zvandakatanga kuvaka.” Ezekiel
akadaro asingade kutaura nezvazvo. Hazvina
kunge zvazoendeka sezvaaitarisira pakaenda
Farirai.
Page | 221
CHITSAUKO 12
Page | 222
kunonoka kuuya. Ndovangadai vakuratidzai
office yenyu.”
Page | 224
Phiri vakadaro vachinongedza chimwe
chezvigaro zvaive muhofisi mavo.
Page | 225
Farirai akatarisa pasi asingade kutarisana
meso namai Phiri avo vakange vakamutarisa
chaiko. Ndokubva ati; “Marriage happened.
My husband was working here in Harare,
saka taida kuve tese ndikasiya basa. Kubva
ipapo ndakazoitawo business rangu
ndichingotsvaga basa.”
Page | 226
Mai Phiri ndokuti; “As you know, Rainbow
Uniforms specializes in Corporate and
Industrial Uniforms kureva kuti all uniforms
emuma Banks, offices, nemahovhorosi
ekumigodhi, tisu tinoita. Pano tinoita custom
made uniforms.”
Page | 228
Media ndiye achaita all our adverts as you
approve them. Saka muchashanda mese and
report back to me.”
Page | 229
“Munokwanisa kutanga neapa, go through
this file. That is our Company profile,
munewo zvatakamboita on other projects, all
processes and budgets. Moonesana kuti
mugowanawo pekutangira.” Mai Phiri
vakadaro.
Page | 230
pakugadzira ma adverts and posts. Inini
office yangu iri paDublin House, iri pana
Corner Mbuya Nehanda naAlbion. You are
free to come in at any time.”
Page | 231
also handisati ndaroora. My girlfriend sleeps
over pano neapo, saka nguva zhinji ndinenge
ndiri ndega.”
Page | 232
Tinarwo, Tinarwo is my father. Ndaimbove
Mrs Somebody asi zvakapera, I divorced
almost two years back. Ndosaka ndichigara
namai vangu tiri vaviri.”
Page | 233
Nhare yaFarirai yakabva yarira. “Sisi Farie,
muri sei?” Tarisai akanzikwa kudaro achifara
chaizvo. Haana kumirira kuti mukoma wake
apindure akabva ati; “How was your first day
at work? Ndokumirirai paBoutique patete
tigosangana mugondiudza zvese.”
Page | 234
“I promised her kuti kana ndave kuita
advertising ndichatora vana vake ma twins to
be my models.” Farirai akadaro achiseka.
Max akanyemwerera ndokuti; “This is what I
meant kuti tinoshanda 24 hours, that’s
exactly what I do. You are my kind of
marketer. I see opportunities and solutions
ebasa rangu pese pese. You were home, with
your family asi wakatoona kuti vana venyu
are super models, I like that.” Max akadaro
akatarisa Farirai achiyemura mashandiro ake,
nekufunga zvimwe zvebasa rakange
rakatarisana navo.
Page | 235
nekugona kwake kuna mai Phiri naMK Media.
Haana kuda kuzvinyadzisa kana
kuzvishoresa. Aida kuti mai Phiri vaone kuti
vakange vasina kukanganisa kumupa basa iri.
Page | 236
“Oh, ok. Vari sei havo maiguru vako?” Farirai
akabvunza.
Page | 237
“Sechii? Unoda kundiudzei?” Farirai akadaro
achiratidza kusafarira kutaura neaimbove
murume wake.
Page | 238
“Manyanya speed vaMashiri. I am not even
sure kuti tinokwanisa kusangana kwacho riini.
Ndichangotanga basa ndinogona kunge
ndichitoshanda musi weMugovera wamuri
kuda kuti tisangane. It’s a very important
project inoda nguva and undivided attention.
Saka ndichakuudzai neMugovera
mangwanani, tinogona kusangana for lunch,
chete.” Farirai akadaro.
Page | 239
Akambogara pasi achifunga, munhu
waakange ataura naye apa. Ndiye Ezekiel
Mashiri akange amuroora chaiye vachiri
vadiki. Ndiye waaiziva. Upenyu hwakazenge
hwavatamba kongonya… Kuda zvaigadzirika
vakawana mumwe mukana.
Page | 240
CHITSAUKO 13
Page | 244
vakakurumidza kupedza, vachitaura
zvekuRainbow Uniforms.
Page | 248
Farirai akagutsurira zvinyoro nyoro
achinzwisisa zvairehwa nehama dzake.
Page | 249
Max Khumalo akasvika kumba kwavabereki
vake kuAvondale, 9 dzeusiku dzichichaya.
Aigara pamba pavabereki vake apa ari ega.
Vabereki vake vaive kupurazi kwavo
kwavaigara, uye vamwe vemhuri yake vaive
kunze kwenyika.
Akawana Janet aripo akagara ega apedza
kubika. Vakakwazisana mukomana
ndokumbobvisa mbatya dzekubasa
ndokuzogara patafura kuti vadye vese.
Page | 250
ndinawo. Saka ndatotanga zvitsva. She
knows her stuff, and she is very intelligent.
She is the first person aita kuti ndimbovhura
futi Marketing and IT books.”
Page | 251
“Ok, tinoenda. Ko vari sei amai vako?
Wavasiya nani nhasi?” Max akabvunza.
Page | 252
Max akasimuka apedza kudya ndokutora
nhare yake yakange yarira ichipinza
mameseji akawanda ndokubva ati; “Wow,
wow! This is pure genius. Uyu Tinarwo
anoziva manje the principles of marketing,
unlike vamwe vandinosishanda navo, saka
haangobvumi zvese zvese. She is just
exceptional, ndichadzidza zvakawanda kubva
paari.”
Page | 253
Janet akazouya ndokugara pasi ndokuwana
mukomana achitaura panhare yake achiri
kuita zvebasa paLaptop yake.
Page | 254
“Chero ukapedza na 12 midnight, just send it
to me please. Goodnight.” Farirai akadaro
ndokubva nhare dzanyarara.
“Ummm saka kana mave kushanda kusvika
12 midnight ticharara here pano nhasi? Sei
uchirega achikujairira kudaro?” Janet
akabvunza asingafare.
Page | 255
“Don’t be ridiculous. I need the money. Unoti
mari yese yemarooro nemuchato inobva
kupi? Ndiri kutoda kupedza this project and
use it to advertise for other jobs ndiwane
mari.” Max akadaro akatarisa paLaptop pake.
Page | 256
yemurume or babamunini who comforts her
when she is lonely.”
Page | 257
“Why are you so judgmental towards her as
if pane kwamakambosangana mukarwa?
Don’t you trust me anymore? Ndiye mukadzi
ega here wandatanga kushanda naye? Inga
ndine vakadzi vakawanda
vandinosingoshanda navo hauna kumboita
dambudziko navo. Why are you threatened
naFarie uyu?” Max akabvunza.
Page | 258
“Ok love, ukurumidze kutevera.” Janet
akadaro ndokufamba oenda kundorara,
achisiya murume achishanda.
Page | 259
CHITSAUKO 14
M usi weMugovera
dzichangochaya,
mudhorobha
masikati,
Farirai
kundosangana
12
akasvika
naEzekiel
sekurangana kwavakange vaita. Akasvika
paSam Levy village ndokugara paRestaurant
akamumirira. Akavhura nhare yake
ndokudzokorora maEmail ebasa nekutarisa
zvimwe zvaakange ataura namai Phiri pazuva
rakange rapfuura.
Page | 260
Farirai akasimudza musoro achinyemwerera
ndokuti; “Pane munhu wandakamirira. I don’t
like solo dates. I am not that confident.”
Max akanyemwererawo ndokuti; “Manje inini
ndohupenyu hwangu. I do solo dates to
observe people and things, ndichishanda
nekufunga kuti Company yangu yokura sei.”
Page | 261
Max akasimuka ndokuti; “Ok, rega
ndimbogara pano. I hope I am not disturbing
your ‘me-time.’ ”
Page | 262
Ezekiel akaita nguva akatarisa Max
ndokuzoti; “Ko ndiani uyo? Sei waita such a
horrible introduction iri one sided futi?”
Page | 263
“Nguva yareba, are you dating? Pane wauri
kudanana naye here?” Ezekiel akabvunza.
Page | 264
Vakambotarisana, Ezekiel ndokuzoti;
“Kunyangwe tikati pane zvainetsawo mumba
medu, asi kutorana naJanet as a solution was
wrong. Ndaifanira kutsvaga rubatsiro
kuhama dzedu tese kusvika zvanaka.
Ndakatozoona waenda kuti tete Marita
vaindinzwisisa chaizvo panyaya dzatakange
tisinganzwanani isusu. Dai ndakapa marriage
yedu mukana pasina wetatu.”
Page | 265
zvandange ndakatsamwirawo amai vako,
nehama dzako zvakaita kuti ndisade
kuvaona. Amai vangu inini is very strict neni
zvekuti unogona kutofunga kuti havandide
asi handina kumbovaramba. Gore rese
ndichigara navo, vachindiomesera,
vasinganditereri asi handina kumbovatiza.
Ndingadai ndakaita zvakafanana kuna amai
vako, ndaifanira kuedza nekuti iwewe neni
taifara, taive takagara zvakanaka.”
“Kana wakazozvinzwisisa ndinofara.
Handingade kuti ugare uchifunga kuti I was
abusing you or expecting too much from
you.” Ezekiel akadaro.
Page | 266
Ezekiel ndokuti; “Mukoma vari kuita birthday
party yemwana wavo mudiki in a month’s
time. Handei tese, kana amai vangu
unondovaona ipapo.”
Page | 267
kungogadzirisa. Hazvidi kudaro.” Ezekiel
akadaro.
Page | 268
Vana vaifara vachitamba nekumhanya
nzvimbo yese. Farirai akatanga kutora
mifananidzo yemapatya emunin’ina wake
vachidzingirirana nekutamba. Akabva
atumira imwe yacho kuna Max achida kuti
aone mapatya ekumba kwavo avaida
kuzoshanda nawo pabasa ravo.
Page | 269
“Do you mind if I join you? Pane zvandaona
ipapo zvingandibatsira on my other
marketing concepts.” Max Khumalo akadaro.
Page | 270
Stanley akabva awedzera chikafu
nezvekunwa ndokupawo Max, uyo akange
ave kutaura nevana achinzwa nyaya dzavo.
Page | 271
Max akafara chaizvo ndokutanga
kutsanangura basa rake kune vese.
Akazopedzisira agara pasi naStanley vari
vaviri, madzimai vave kwavo vegawo. Vana
ndivo vaichinjanisa kuenda kwese kwaive
nanababa, nekwaive nanaamai.
Page | 272
ambopinda muBank anaRaymond
akazokanganwa kudzosa ruzha rwayo.
Page | 273
ndipfeke ndigomudzorera. Ndozvaunoda,
kuti ndiite muchato wese
nezvekungokumurirwa. Wakati it’s ok kupiwa
wedding gown ramaiguru, ukati it’s ok
kuchatira pamba pamukoma Cleopas. Zvese
unongoda zvamahara. Unoda kundiita a
beggar.” Janet akanzikwa kukwamatata.
Max akaramba akanyarara.
Page | 274
Max akaramba akanyarara zvakare. Janet
achiwedzerawo hasha; “Pindura mhani iwe.
Ohooo zviya wange una Farirai? Hee? Taura
mhani! Una Farirai? Muri mese here izvozvi?”
Page | 275
iwewe deep down uchinyatsoona kuti
hauzvide.” Max akabvunza akatarisa Farirai
nekona yeziso.
Page | 276
Nzeve dzaFarirai dzakambooma
nezvaakange anzwa izvi. Akambopererwa
akashaya zvekutaura.
Pave paya akazoti; “Ko zvaita sei?”
Page | 277
Kumba kwenyu vanhu vanodanana. Chero
baba vako vashaya makaramba muine ukama
hwakanaka nanatete vako. Ndinozviyemura
zvakadaro.”
Page | 278
ndagutsikana kuti tazivana zvakakwana.”
Max akadaro, Farirai haana kupindura.
Page | 279
Farirai akagutsurira asingade kutaura
nezvazvo. Max ndokuti; “Handizive zvangu
zvamakarambanirana asi whatever it is,
ndinofunga zvaigadzirika. You are peaceful,
calm and well composed, hautyise kuve newe
even in an unpleasant situation. Marriage
and relationships zvinongoda good
communication, which you have.”
Page | 280
of my business. Kana uchida mukadzi
wekupedzera hasha, enda kumaAvenues uko,
inga zuva radoka.”
Page | 281
CHITSAUKO 15
Page | 283
Mbuya Chauke vakati; “Wakangodzoka
kubva kwaKhumalo wakagumbuka. Ko gown
makandosonesa here?”
Page | 289
Pazuva rakatevera, Muvhuro, Janet akange
achishanda akatarisa nguva. Akange
achinonokerwa nenguva yekuti ambowana
mukana wekubuda. Pakasvika nguva yekuti
ambozorora achinwawo putugadzike
mangwanani aya, akamhanya
kuMetropolitan Bank kubasa kwaEzekiel
Mashiri.
Page | 291
Ezekiel akarova rova dama rake nechinyoreso
chake ndokuti; “Asi ndiye waaive naye paSam
Levy on Saturday lunch hour? Ndakamuona…
vaita sei?”
Page | 295
Pamusuwo pake pakagogodzwa ndokubva
apindura akatsikitsira paComputer pake.
Page | 297
Akakosora kosora ndokuti; “There is no
better way to say this, but, Janet is worried
nekuwirirana kwenyu. Anenge ari kuti
muchinda ave kubvisa attention kwaari
nemuchato wavo achiisa kwauri. What’s
going on? Iye Khumalo wacho akambotaura
kuti anoda nezvako here?”
Page | 298
same thing chamaindiseka nepfambi yako.
Inga munonzwanana chaizvo.”
Page | 299
Ezekiel akadzungudza ndokuti; “You are
joking right? Ndatombomuudzawo kuti
hauite zvakadaro iwewe. Pane nyaya yavo
chaipo ndepekuti kumba kwavo ikoko pane
zviri kuitika.”
Page | 300
kwambuya Chauke kundokumbira Janet kuti
asiyane nemurume wake.
Page | 304
CHITSAUKO 16
Page | 310
Max akaramba akanyarara achinyemwerera
akayeverwa naFarirai, ndokuzoti; “You are so
beautiful. You are a breath of fresh air.”
Page | 311
Max ndokuti; “Thanks Farie, unoterera nyaya
dzangu. Ndatowana zvangu simba
rekusiyana nemukadzi uyu, haagarike naye.”
Farirai akaramba akanyarara, akange
asingade kuramba achitaura nezvaJanet.
Akange ozeza kurasa muromo
akazopedzisira otaura kwavaizivana
nezvakange zvamboitika kare, akange
asingade kuzvitaura.
Page | 315
Farirai akaramba akanyarara akaterera, Max
akanyemwerera ndokubata Farirai ruoko
ndokuti; “I am happy, uri kunditerera. Take
your time, think about it, and think about us.
I love you, and I want to be with you for the
rest of my life.”
Page | 316
Farirai akadzungudza musoro akafinyama.
Mumusoro make aifunga kuti saka
ndozvakamboudzwawo Janet naEzekiel izvi
kusvika imba yake yaparara.
Page | 319
“Ummm akaramba kuti ane mwana? Inga
hake.” Farirai akadaro.
Page | 322
Farirai akamboita seaizeza kutaura
ndokuzoti; “Patakanetsana kusvika
pakurambana, aironga kuvaka imba yake
nemumwe mukadzi waakange odanana
naye. Kwaisave kuronga kwake asi kungove
pressurized nemumwe munhu. Dai akangoita
pressure iyoyo mumba medu tiri vaviri
tingadai tisina kurambana. Dai akandinyima
mari yazvese zvandaida inini and channeled
all his money pakuvaka pacho, zvaingobuda.
Asi akatanga andituka, kunditsondora
nekundinyadzisa raini rese achitorana naJ…
neimwe pfambiwo yaitove nejerasi
nemagariro edu.”
Page | 324
kure, haina kubva mumoyo, nekuti zita rekuti
Janet rakabva rangouya mupfungwa.
Page | 325
CHITSAUKO 17
Page | 330
rototesa mbatya dzekurarisa dzakange
akapfeka.
Page | 332
“Tinenge tichiona.” Max akadaro.
Page | 333
“Ok, ndichandokumbira kubasa ndidzoke pa
lunch ndizotora zvinhu zvangu.” Janet
akadaro.
Page | 335
Mbuya Chauke vakati neinzwi raive pasi;
“Pane zviri kunetsa here nhai mwanangu?
Pane zvaungade kuti nditsiure Jeni?”
Page | 336
“Hanzi imbodzokera kumba tironge muchato
mumwe nemumwe ari kumba kwavo.” Janet
akadaro meso akatsvuka neshungu.
Page | 345
Janet akasimuka ndokuenda mumba make
mokurara chinyararire.
Page | 346
CHITSAUKO 18
P asvondo
weMugovera
rakatevera, waive
mangwanani,
akafuma achinzwa musoro nekufunga uye
musi
Janet
Page | 348
yakambondichemedza. Kwakanaka here
wandifonera?”
Page | 349
Farirai akaseka ndokuzoti; “Zvaita seiko nhai
Janet? You of all people ndiwe unonyatsoziva
wani kuti nyaya dzakadai unotongobvunza
murume wako. Ko isuwo vekunze tinei
nazvo?”
Page | 350
Whatever zvaari kuita Max ngatisaregerai
zvichienderera.” Janet akatsanangura.
Page | 353
hausati wakanganwa? Hausati waregerera?
Wabva wataura nemo nemo kudaro?”
Page | 354
waimbonditsvaga here?” Farirai akabvunza.
Vese amai nemwana vakatsikitsira
vakanyarara.
Page | 355
mumaziso aMax ndiri chii?” Farirai akadaro
akatarisa Janet mumaziso.
Page | 356
Janet ndipo paakazoti; “Chokwadi inzwaiwo
kutaura kwaamai vangu, inga munowirirana
wani.”
Page | 357
give me ideas. Ndikabva ndawana mukana
wekuti unzwe zvawakambondinzwisa. Kuda
mese mungasiyana neni zvachose.”
Page | 358
kuti akubvunzei kuti chii chaive pakati penyu
naMax. Hatina zvimwe zvatinotaura tese kana
cell number yake handina, ndakatoita
zvekuenda kubasa kwake.”
Page | 359
Iyezvino handiti hauchina murume? Dzokera
kuna Ezekiel. Kana iye Max wako, enda
undotaura naye zvakanaka, kwandiri Max
naEzekiel vakafanana, vanoenda kwaenda
mhepo.” Farirai akadaro inzwi rakwira.
Page | 360
neni pamakatanga kushanda mese. Uyezve
ange ogara achingotaura nemi paPhone,
kana kuti achingotaura nezvenyu. Saka kana
mukamuudza kuti hamunei naye anodzoka
kwandiri.”
Page | 361
Mbuya Chauke vakazvirova maoko ndokuti;
“Watiomesera mwanangu mai Mashiri.
Handina kufunga kuti ndozvawave kudai.”
Page | 362
iyi kuna Max handiti? Yaive punishment kuti
everyday muchishanda mese inini
ndichingofunga kuti kuda nhasi wamuudza
kana kuti uchamuudza mangwana. Haa inga
unogona kutsiva chaizvo.”
Page | 363
pfambi yakaparadza imba yevamwe vanhu,
just to get back at me. Asi wakange
wakazviviga kuti uchengetedze relationship
yako yawakaparadza wega futi. Iyezvino
relationship iya hapachina you leave a trail of
heartbreaks and broken people behind you.
Wakaoma hako, then unoshamisika kuti sei
zvako zvese zvichigumira munzira.”
Page | 364
ndofunga mazvijaira zvekutaura
musingatererwi.” Akabva abuda ndokusiya
amai nemwana vari vega.
Page | 365
brought the worst out of me.” Farirai
akadaro.
Page | 367
Farirai ndokuti; “Stress yerudo yakaoma, I saw
myself in her…”
Farirai akambogomera ndokuti; “Unoona
stress yerudo ichibvanyangura bvudzi,
unoona bvudzi richimira rega risina kubatwa
so.” Mukoma nemunin’ina vakaseka nhamo
serugare.
Page | 370
CHITSAUKO 19
Page | 371
chavo vese ndokugara vachidya. Vaishanda
apa vakadzokera kumahofisi avo vondodyira
ikoko, vamwe ndokusara vakagara muBoard
Room.
Page | 372
mibvunzo isingapindurike. Takagona
zvechokwadi.”
Page | 373
“Are you sure you are on the same page with
Janet? Are you sure zvauri kufunga ndozvaari
kufungawo? Maybe iwewe you have moved
on asi iye asina.” Farirai akadaro.
Page | 374
Max ndokuti; “Let’s talk about us. Wakati
iwewe uchiri kufunga nezvedu, I am just
wondering what exactly are your
considerations. Chii chauri kufunga? What
are your fears? Or rather concerns? Or
considerations?”
Page | 375
Max akadzungudza ndokuti; “I wonder why
you keep on talking about her. I actually
regret why I introduced you two. Chete
ndakange ndisingazive kuti taizosvitsana
pano newe. Asi ndaingoziva kuti naJanet
hapana kwatakange tichiri kuenda tese.”
Page | 376
“Farie…. Oh Max uri muno, ndange ndichiti
waenda…” Mai Phiri vakadaro
ndokumbotarisa vaviri ava vakange
vakabatana maoko.
Page | 377
Max akasimuka ndokuti; “Saturday unenge
uchiitei? We can go for drinks. I enjoy
spending time with you.”
Page | 378
“Just the man I wanted to see, come in
mwanangu. Gara apo ndipedzise kusaina
macheque evanhu vawane mari dzavo.” Mai
Phiri vakadaro, Max ndokugara pasi.
Page | 379
many times ndichikuonai around town muri
mese, at different entertainment areas.
Zvaive zvichiri zvebasa here?”
Page | 380
yako naFarirai, ndakangofunga kuti kuda
ndizvo zvairehwa naJanet.”
Page | 381
Max akagutsurira zvinyoro nyoro ndokuti;
“Ok, ok, ndichambomunzwa kuti aida kuti
muite sei.”
“Otherwise best wishes, uwane mukadzi
waunoda nemoyo wese.” Mai Phiri vakadaro.
Max akaoneka ndokubuda oenda.
Page | 382
Mushure memaminitsi mashanu
zvechokwadiwo, Janet akange ave
pamusuwo pehofisi yaMax. Musikana
akapinda achinyemwerera chaizvo.
Page | 383
“That is your problem, I even doubt kuti
wakatombondida here. Zvinhu zvako zvese
unoitira vanhu. Zvese zvese kungoti vanhu
vanoti chii. Ko iwewe uri kuti chii pamusoro
pevanhu? Do they care? Zvaunotuka vanhu
everytime ndozvave kukushungurudza
uchifunga kuti vari kukutukawo saizvozvo.”
Max akadaro.
Page | 384
“Aaaah? Vakuudza? Saka she supports
kurambana kwedu? Saka vari kufarira kuti
uve naFarirai?” Janet akadaro asina mufaro.
Page | 385
kwandiri vagotaura zvakasiyana. Vagonditi
makorokoto wakagona kusiyana naJanet
taitoshaya kuti muri kuitei?” Max akadaro
achiseka Janet.
Page | 386
on. Handichinei newe, ndakawana munhu
wandinonzwisisana naye.”
Janet akasimuka ndokuti; “Max you are going
to regret this. Ndini munhu ange achitokuda
zvechokwadi asi wave kundidai? Kana
uchindirambira Farirai uri kutambisa nguva
yako. Farirai ane revenge plan yekundikaurisa
inini, achinyepa kuti anokuda.”
Page | 387
“Ainzi Farirai Mashiri ipapo. Handiti wati you
have moved on. Chiendai mundomuvha oni
muchiudzana kuti inini naFarirai
tinozivaniranepi.” Janet akadaro ndokubuda
achirovera musuwo ndokuenda.
Page | 388
tarambana. Hameno zvaakuudza asi kubvira
paakandiona mu office mako as you
introduced us, haana kuzowana rugare.”
Farirai akatsanangura.
Page | 389
iwewe ndozvauriwo here nhai Farie? I am so
disappointed.” Max akachema chema.
Page | 390
“Kufara kwese kwandaiita newe, all the late
night chats, the outings waizviita nekuti
waida kuti Janet asvotwe, kwete nekuti
unondifarira. Wakandishandisa Farie, ko
wakazviitirei? Ndaikuudza chokwadi
cheupenyu hwangu, I shared the vision of my
company newe. Izvo iwewe waingotandara
zvako uchitarisa kuti Janet ari kunzwa sei. I
trusted you with my life, izvo iwe waitotamba
zvako.” Max akadaro, Farirai akange
akaterera achifunga zvekupindura, asi nhare
ndokunyarara.
Page | 391
CHITSAUKO 20
Page | 392
“Ichokwadi tete, mazuvano ndikataura nemi
pafoni zvinoita setaonana. Muri sei zvenyu?”
Farirai akadaro.
Page | 393
Farirai akamboramba akanyarara akatsikitsira
ndokuti; “Kumboparadzana naEzekiel
kwandakaita kwakandipedza rudo kwaari.
Ndakaona how unreliable he can be. Pane
zvandakange ndisingaone tiri tese, seizvozvi
zvekuti haatogone kunyatsomira
nezvaanoda nezvaanofunga semurume
mumba. Nyaya dzake dzese kungotaura
nevanhu vekunze.”
Page | 394
yake kwakaita kuti ndisadzokerawo kumba
kwavo.” Farirai akatsanangura.
Page | 397
“Ko ndaifunga kuti takapfuura ipapo. Inga
takataurirana naFarie tikakumbirana
ruregerero tikabvumirana kuti zvakapfuura
tese takakanganisa. Nhasi mave kutaura chii
futi?” Ezekiel akadaro achiratidzwa kusvotwa.
Page | 398
Farirai adzoke kumba.” Ezekiel akadaro inzwi
rakwira.
Page | 401
Vatete nemwana wehanzvadzi vakasara
vakanyarara, mumwe nemumwe aifunga
zvake ega.
Page | 405
“This time I chose myself. I wanted closure
naEzekiel. Mwedzi wese taingoita Social
Media jokes and gossip, pataitaura tese
aingoti ndiuye kumba kwake kuzorara.
Kusvika last week patakazosangana audza
tete kuti vatisanganise. Nguva yese
yandakamupa kuti tigadzirise zvaitinetsa,
hapana zvatakagadzirisa. Akazouya last week
achindituka nekundimanikidza zvaive
mupfungwa dzake zvandange ndisingazive.”
Farirai akarondedzera.
Page | 407
“Ani? Max? Aiwa aiwa. Handitombomufunge
ini. It’s a closed chapter. Sometimes I just
wonder why I met him the time that I did.”
Farirai akadaro.
Page | 408
Farirai akagutsurira ndokuti; “Ndakanonoka
kuzvionawo. Ndaifunga kuti tichadzokerana.”
Page | 409
“I hear you. Maybe I should consider Max,
and revive our friendship.” Farirai akadaro.
Page | 412
“I missed you Farie, a lot.” Max akadaro
vazembera mota yake vese.
Page | 413
Vakanyemwerera vakabatana maoko
ndokudungamidzana vopinda mumba maive
nevamwe.
ZVAPERA
Page | 414
BENEFITS OF WORSHIPING GOD KUKUDZA
NEKURUMBIDZA MWARI
John 4:23 -24
Page | 415
from being a draining duty, worship offers
beautiful benefits that will bless our lives.
Page | 417
Again…. Worship is for our benefit, inoita kuti
zviri Mwari, zvatinomukudza nazvo zviitike
muupenyu hwedu.
Page | 418
shadow.” That is a song of praise – that is a song
of worship.
Page | 419
We were made to worship. When we choose an
object to worship other than God, we will always
be disappointed. People will disappoint us,
wealth will never satisfy, exciting experiences do
not last, and we will always be frustrated with
ourselves. But God never disappoints. We were
created to worship God, and only God-worship
will truly satisfy our soul longings.
Page | 421
Worship helps us to align our thoughts with God
so that when we make petitions and offer up
thanks, we can know that we are praying
according to His will.
Page | 422
As we grow in relationship and worship, the
thought of going to heaven to worship God for all
of eternity becomes the longing of our hearts.
The thought of worshiping God for all of eternity
in heaven? It is the hope for peace, joy, love, and
home.
How about you? What benefits of worship have
you experienced? I would love to hear your
thoughts! Please comment below.
And, if you liked this post, please help me by
sharing it. Scroll down and click on the share bar
below. I really appreciate it!
May God bless you!
Page | 423
Page | 424