You are on page 1of 430

A CHANCE TO

REVENGE

MUKANA
WEKUTSIVA
Lovely Rutendo Nzira

Page | ii
A CHANCE TO REVENGE

Copyright © 2023 Jameson Tabeni

All rights reserved.


No part of this publication may be reproduced, or
transmitted, in any form, or by any means, without the
prior written permission of the author and/or publisher.

Publisher: Lovely Rutendo Nzira


Interior layout & Formatting: Pearl Press Media

Page | iii
Table of Contents
ACKNOWLEDGEMENTS ........................................................... v
CHITSAUKO 01......................................................................... 1
CHITSAUKO 02....................................................................... 20
CHITSAUKO 03....................................................................... 41
CHITSAUKO 04....................................................................... 60
CHITSAUKO 05....................................................................... 79
CHITSAUKO 06....................................................................... 97
CHITSAUKO 07..................................................................... 115
CHITSAUKO 08..................................................................... 137
CHITSAUKO 09..................................................................... 156
CHITSAUKO 10..................................................................... 175
CHITSAUKO 11..................................................................... 196
CHITSAUKO 12..................................................................... 222
CHITSAUKO 13..................................................................... 241
CHITSAUKO 14..................................................................... 260
CHITSAUKO 15..................................................................... 282
CHITSAUKO 16..................................................................... 305
CHITSAUKO 17..................................................................... 326
CHITSAUKO 18..................................................................... 347
CHITSAUKO 19..................................................................... 371
CHITSAUKO 20..................................................................... 392

Page | iv
ACKNOWLEDGEMENTS

I would like to extend my sincere gratitude


to God the Almighty for the voice of
wisdom and knowledge in the writing of this
book. If not for His anointing, nothing would
be as powerful and life changing as it is.

Many thanks to my mentors, men and


women of God in my life, for helping me to
explain the word of God and make sense out
of it in secular writings. I appreciate the
grooming, teaching, and criticism and the
rebuke that they are continuously doing in
my life. They are putting so much work and
prayers into it, to shape and sustain the
brand Lovely Rue Auntie Rue / Sis Rue. Only
God can reward such work.

All my Fans, Pastors, El Shaddai Ministry


WhatsApp Groups, and the prayer partners
for their unwavering support.

Page | v
I also want to thank Mr Munyaradzi Barnabas
Soka (Pearl Press Media) for the typesetting
and the layout of this book, and Prophet
Lister Simbarashe for the cover design. Their
technical support is much valued, always.
Many thanks too, to Zimbabwe Online
Writers Group for the support that they have
given me to make my writings better.

A special appreciation to my WhatsApp Fans,


affectionately known as the free editors and
Board Members. Our association has made
me grow with every copy written. Keep it up.
Tinonyora tese, tigoverenga tese.

@Lovely Rutendo Nzira


09 November 2023

Page | vi
CHITSAUKO 01

F arirai akange akamira pamusuwo weimba


yekubikira, waive kuseri kweimba yavo
kwaimira motikari yepamba apa.
Akanyemwerera achisanganidzana maziso
nemurume wake Ezekiel Mashiri aimisa
motikari achibva kubasa. Murume akabuda
mumota ndokutakura bhokisi raive nemiriwo
opinda mumba. Akasvika achiritsveta
patafura yaive mumba mekubikira.
“Hie love, waswera?” Ezekiel akadaro
akatarisa mudzimai wake achinyemwerera.
“Ndiri bho, asi Tary asvika kuOffice kwako
nhasi?” Farirai akadaro achivhura bhokisi
rakange rakazara mhando dzakasiyana
siyana dzemiriwo.
Ezekiel akagutsurira achiti; “Vauya vese
mainini nababamudiki vachibva kuFarm
kwavo. Hanzi tiuye kumba kwavo kubraai
musi weMugovera. We can sleep over kumba
kwavo tozodzoka tichibva kuChurch.”
“That will be nice, tabva tawana zvekuita on
our anniversary. It will be our sixth wedding
anniversary, remember?” Farirai akadaro
achinyemwerera.
“Oh yes, inga tatogara mumereji nhai.”
Ezekiel akaseka ndokutsvoda mudzimai wake
padama ndokubvisa bhachi. Akatambidza
mudzimai wake bhachi racho
ndokudungamidzana voenda kuimba yavo
yekurara, uko akandobvisa mbatya
dzekubasa.
“I made scones for you nhasi, and chicken
gizzards. Uya udye ndoda kuzondodiridza
maruva panze. Muriwo wedu wemu garden
ndabvisa wese makonye aramba kupera
wena, ndomboita nguva pasina chinhu.”

Page | 2
Farirai akadaro achienda kuimba yekubikira,
Ezekiel ndokundogara pasofa.
Pasina nguva mukadzi akange adzoka
netireyi yaive netudyiwa ndokugara vese
vodya.
“Mangwana ndiri kuenda naTary
kuDomboshava kwamhamha. Time for our
monthly visit.” Farirai akadaro achinwa tii
yake.
Ezekiel akagutsurira ndokuti;
“Mundovafarisa. This time kubasa kune audit
saka kuri busy. Kwatove kushungurudza
kubasa kwedu, some departments are even
closed. The loan facility is closed, hatichina
kana benefit, zvinhu zvaoma.”
Akatarisa mudzimai wake ndokuti; “How is
business rako? Bhutsu dziya dzakapera here?
Waigona kundosiira amai kuDomboshava
vambokutsvagira some customers.”

Page | 3
Farirai akamboita nguva akanyarara
ndokuzoti; “Ndichavabvunza ndigoenda
nadzo.”
Ezekiel ndokuti; “Dai wamboshingirira
kutsvaga basa.”
Farirai akaseka ndokuti; “Inga ndiwe
wakandisiisa basa rangu nhai Eze? Wave kuti
nditsvage basa asi unotizve haudi mukadzi
anoenda kubasa. Haudi kubikirwa nemumwe
munhu asiri inini, hembe dzako haude
dziwachiwe nemumwe munhu. Handingaite
zvese.”
Ezekiel akanyemwerera achiti;
“Ndinongoramba kana riri basa rekunze
kweHarare. Kubatsirana nemari mumba
hakuna kumboipa. Tsvaga basa kana kuita
serious nekutengesa sezvinoita your own
sister, mainini Tary.”
Ezekiel akasimuka netireyi yake
ndokudungamidzana voenda mumba
mekubikira achiti; “Chimbondopa mhamha
Page | 4
bhutsu idzo vaedze kutengesa.
Vanongoedzawo, dzinogona kutotengwa
ikoko.”
Farirai akavhura musuwo wepanze ndokubva
vaenda kumberi kwemba yavo kwaive
nemaruva avaida kudiridza.
Uku kwaive kurukisheni rweWaterfalls
muguta guru reHarare. Ezekiel Mashiri aive
murume aive nemakore 33, nemudzimai
wake Farirai aive nemakore 31, vairoja imba
yese vachigara vari vaviri. Ezekiel aishanda
kuMetropolitan Bank muguta makare, ndiye
aive Investment Officer weBank iri.
“Maswera seiko baba namai Mashiri
vanangu?” Muvakidzani wavo akadaidzira ari
kune rimwe divi rewaya yaive yakaganhura
dzimba dzavo.
Farirai akasimudza maoko achinyemwerera
ndokuti; “Taswera mhamha, muri sei nhasi?
Ari sei makumbo?”

Page | 5
“Ndinawo mwanangu. Asi kwave kukwegura
kwatakabva kure, nyama dzaneta.” Mbuya
Chauke vakadaro.
Vakatarisa Ezekiel ndokuti; “Kuri sei kuBhangi
kubasa kwako mwanangu, Mashiri?”
“Kubasa kwakanaka amai, muri seiwo?”
Ezekiel akadaidzira vese ndokutarisa mbuya
Chauke avo vakange vabata waya yakange
yakaganhura zvivanze zvavo.
Mbuya Chauke ndokuti; “Chivanze chenyu
chakanaka vanangu, maruva enyu
munoachengeta zvakanaka. Mazuvano
handina muriwo ndakaisa mushonga wange
wave kupera nemakonye.”
Farirai akati; “Regai ndikupei mumwe muriwo
wabva kumunin’ina wangu. Kana neniwo
handina muriwo pano iyezvino.”
Farirai akapedzisa kutaura achipinda mumba
ndokubuda nemiriwo yakasiyana siyana
yaakange akaisa mudhishi ndokutambidza

Page | 6
mbuya Chauke. Vakaombera vachigamuchira
ndokuti; “Inga maita basa, zviya wakati une
hama inorima kupurazi?”
“Hongu mhamha, munin’ina wangu Tarisai
ane Plot kuMazowe.” Farirai akadaro.
Vese vakambonyarara vakatarisa munhu
aipinda pagedhe pambuya Chauke. Mbuya
Chauke vakamboita nguva vakatarisa sezvo
meso avo akange ononoka kuona zviri kure.
Vakazoti; “Ndiwe Janet, titambireka
mwanangu. Kwange kuri sei kubasa?”
Janet akambomira ndokuti, “Maswera sei
mhamha?” Mbuya Chauke vakapindura
vachinyemwerera vakatarisa mwanasikana
wavo.
Ezekiel naFarirai vakati vese nguva imwe
chete; “Maswera sei?” Janet akangovatarisa
ndokupinda mumba asina kupindura.
Vatatu vakambotarisana vachishamisika vese
asi hapana akataura chinhu. Mbuya Chauke

Page | 7
ndokuseka seka; “Haana kukunzwai Janet,
akaneta nebasa nekufamba kwaari kubva.”
Mbuya Chauke vakadaro vese
ndokumbonyarara.

Mbuya Chauke vakazoti; “Mai Mashiri, dai


muchitambawo nemwanasikana wangu
Janet. Mumusanganisewo neshamwari
dzaMashiri kuda angamisawo imba yake.
Munoti zvinofadza here kuve
nemwanasikana akura kudai mumba asinawo
mhuri yake?”

“Nguva dzeupenyu dzinosiyana mhamha,


uyezve zvipo zvinosiyana. Nguva yake
yekuitawo imba yake, nemhuri yake
ichasvika. Imimi muchiona kudaro pane
vezera renyu vari kutokuchivai kuti mune
mwanasikana wenyu ari kukuchengetai
zvakanaka.” Farirai akadaro, Ezekiel
ndokugutsurira achitandavadza hose pipe
achiendesa rimwe divi.

Page | 8
Mbuya Chauke vakagutsurira zvinyoro nyoro
ndokuzoti; “Ichokwadi, imimi vanangu mune
muchato wenyu wakanaka. Raini rese rino
munozikanwa nekudanana zvinoyemurwa
nevechidiki vese. Dai Mwari achikupaiwo
mwana wenyu nhai vananguwee, mwana
anongodiwawo mumba. Ko mwana ndiye
maruva emuchato mumba kuti
muchinyatsoyevedza.”

Farirai naEzekiel vakaramba vakanyarara,


mbuya Chauke ndokuzoti; “Chete sekutaura
kwenyu, zvipo zvinosiyana uye nguva
dzekugamuchira kubva kuna Mwari ndidzo
dzakasiyana. Achauya hake mwana wenyu
nenguva yaIshe.”
Farirai akambokosora nekumedza mate
sezvo akange aoma mukanwa akaterera
upenyu hwake hwaidembewa nambuya
Chauke.
Ndokuzoti; “Ndizvozvo mhamha.”

Page | 9
Mbuya Chauke vakaregedza waya
ndokumboita nhendeshure vasina kutarisa
kwavaienda ndokuzoti; "Imi pedzisai
kugadzira chivanze chenyu. Toonana
mangwana vanangu.“ Vakafuratira voenda
kumba kwavo.

Farirai naEzekiel vakambosara


vakanyararisana, Ezekiel ndokuzoti;
“Tapedza, handei mumba. Pave ne mosquito
pano.”

Apo vakange voda kupinda mumba, Janet


akasvika pawaya ndokuti; “Mukoma Mashiri
ndine maAfrican Print shirts andiri kutengesa.
Anoita $50.”

Ezekiel akaswedera padyo newaya


ndokugamuchira imwe hembe yakange
yakabatwa naJanet.

Page | 10
“Mati marii nhai tete?” Ezekiel akabvunza
achiongorora hembe iya.

“$50 chete.” Janet akadaro.

Farirai akasvika ndokutora hembe iya


mumaoko aEzekiel ndokudzorera kuna Janet
achiti; “$50 inodhura. Hatina mari mufunge.”
Janet akatambira hembe iya ndokutarisa
Ezekiel uyo akaramba akanyarara. Janet
ndokudzokera mumba mavo asina rimwe
shoko raataura.

Mukadzi nemurume vakadungamidzana


vopinda mumba mavo. Ezekiel akavhara
musuwo ndokuti; “That wasn’t necessary. Dai
tangoona all the shirts and promise kuti
tichatenga mumwe musi. That wasn’t nice at
all Farie sha.”

Farirai akaseka akatarisa murume ndokuti;


“As if she is a nice person, we don’t owe that

Page | 11
rude woman anything. Nhai munhu haade
kukukwazisai asi anoda kuti mutsigire
business rake? It doesn’t work that way. She
is rude and disrespectful, opposite yaamai
vake vanofara nemunhu wese.”

Ezekiel akaramba akanyarara ndokuzoti;


“Chete vakadzi hamuteedzerwe,
munomboita hate at first sight.”

Farirai akadzungudza achiti; “Aiwa sha, kana


iwewe unotaurei nemunhu wekuti
ukamukwazisa anoramba akanyarara? Asi
kana paine zvaanoda ndipo poouya kwauri?
Kushandisana kwerudzii ikoko?”

“Magara vakadzi mune ma moods saka


hatingazviteedzere.” Ezekiel akadaro
achiseka. Vakange vamira vese mumba
mekubikira vachinwa mvura.

Page | 12
Farirai ndokuti; “Mangwana tiri kundoswera
kuDomboshava kwamhamha naTary.”
“Ok, wondiudza kana madzoka.” Ezekiel
akadaro, ndokuti; “Ko amai vangu vange
vachiti vanenge vari kuChinhoyi kwamukoma
Gabriel, tigondovaona ikoko.”

“Ko sei vasiri kuuyawo kuno?” Farirai


akabvunza ndokumboverenga zvaive
panhare yake.

“Vari kushanya kuzoona mwana wetatu


wamukoma Gabriel. Saka tinogona
kundovaona pa weekend nekuvatorawo
touya navo kuno.” Ezekiel akadaro.

Farirai akashama n’ai achiti; “Is that even


necessary? Havana kushanyira isusu, vakauya
kwababamukuru.”

Page | 13
Ezekiel akambomira akatarisa mudzimai
wake ndokuti; “We can just go and spend the
day ikoko tichionana nevamwe.”
Farirai haana kupindura akatanga
kugudubudza mapoto aaida kubikira.

Ezekiel akamboramba akamira, asi


ndokuzofamba oenda kundogeza. Farirai
ndokusara achibata bata mumba mekubikira.

Nhare yaFarirai yakarira ndokuona munin’ina


wake Tarisai achifona, akanyemwerera
ndokupindura achiti; “Mainini, thank you so
much for the veggies. Muri sei
nababamudiki?”

“Maswera sei sisi Farie, isu tiri bho. Ndadzoka


nhasi kubva kuPlot. Last two weeks were
hectic tichikohwa nekutengesa miriwo yese.
Ndombozorora iyezvino.” Tarisai akadaro
achinzikwa kunyemwererawo ari kwaaive.

Page | 14
“Wange warova wena, ndombokuonawo as
we catch up. Tosangana nguvai mangwana?”
Farirai akazobvunza.

“9am paBoutique paTete Marita.


Mambotaura namhamha?” Tarisai
akabvunza.

“Nhasi handina, ndakataura navo a few days


ago ndichivaudza kuti tiri kuuya kuzovaona.”
Farirai akadaro.

“Ok, ndataura navo nhasi. Vati havachina


underwear, muwedzere pa grocery ravo
ramuri kuvatengera.” Tarisai akadaro.

Farirai akambonyarara ndokuzoti; “Oh, ok. Ko


sei vasina kungondiudza inini nhai?
Ndakange ndatenga food yavo chete
ndichiita mbichana mbichana. Ndichapfuura
ndichitenga, muJet kana iko kwatete Marita
ndoona kuti vane chii.”

Page | 15
“Ok sisi, toonana mangwana. Regai
ndimbobata bata mumba mangu ndakabva
pano kare.” Tarisai akapedzisira achiseka
nhare ndokunyarara.

Farirai akavhura mukabhodhi maakange


akachengetera chikafu nesipo zvaakange
atengera amai vake ndokutarisa zvese
zvakare. Akatura befu ndokudzokera kune
zvaaibika zvamanheru aya.***

Janet akasvika ndokuzvikanda pasofa padivi


paamai vake. Mbuya Chauke vakamutarisa
ndokuti; “Zvaita sei? Kwakanaka here?”

“Sahwira wenyu wamunofarira mai Mashiri


avo rough yaandiitira, ummm zvakaoma.
Chete vakadzi vakaroorwa havafariri kuseka
nevakadzi vasina varume.” Janet akadaro.

Page | 16
Mbuya Chauke vakahotsira vachiti; “Ko akuita
sei?”
“Ndasvikawo zvakanaka pavange vari panze
apa ndikaratidza vaMashiri ma shirts angu
andiri kutengesa. Mukadzi wacho kuita
kubvuta mumaoko emurume wake
ndokundidzorera nhai. Ndozvazvinoitwa
here nhai mhamha?” Janet akatsutsumwa.
“Mai Mashiri munhu kwaye chaizvo.
Ndinofunga hamuna kungonzwisisana chete.
Kana pawasvika hauna kuvakwazisa
zvakanaka inga wani.” Mbuya Chauke
vakadaro.
“Saka vange vakatsamwa kuti handina
kuvakwazisa? Vanhu vanoita such grudges
kuti zvidiiko?” Janet akadaro.
“Waonaka kuti uri kungozvifungira wega
zvaunoda? Wave kuti vane grudge,
wambotanga wati havakuremekedzi nekuti
uri single. Wazvinzwepi?” Mbuya Chauke
vakadaro. Janet akaramba akanyarara.
Page | 17
Mbuya Chauke ndokuti; “Dai
wambonyatsowirirana namai Mashiri
mwanangu. Mukadzi uyu ane hunhu, uye
anogona kubata imba yake zvakanaka.
Nemurume wake vanowirirana chaizvo
mumba mavo. Ungatowanawo wako
murume pakati peshamwari dzavo.
Ndinosiona shamwari dzavo vakapaka
motikari pachivanze chavo vachitandara
zvakanaka chaizvo. Ndivo vanhu vezera rako
Jeni wena.”
“Mai Mashiri ishamwari yenyu mhamha,
kwete yangu. Izvozvo zvekugara
muchindiyenzanisa naye ndizvo
zvinondisvota kusvika kwekupedzisira. Kunge
ndiye mwana wenyu.” Janet akadaro inzwi
rakwira.
Mbuya Chauke ndokupindura vachiti;
“Handimbokuenzanisa naye inini.
Ndinongokuudza zvakanaka zvaanoita kuti
ukopewo. Nhasi dai vatotenga imwe

Page | 18
yehembe dzauri kutengesa dai uchiwirirana
navo. Kana iye Mashiri aigona
kundotengesera vekuBank kwake
kwaanoshanda uko. Zvino hunhu hwako
hwakushaisa makasitoma.”
“Ngavarege kutenga, ndichawana vamwe
vanotenga.” Janet akadaro.
Mbuya Chauke ndokuti; “Waona here
muriwo wavatipa? Uri fresh and uri
kunhuwirira mavhu nemvura. Rega tibike
tidye tizorore.”
Vese vakasimuka ndokuenda kuimba
yekubikira. Amai vakandogara pasi
vachicheka miriwo, mwanasikana achibika
akamira pachitofu.

Page | 19
CHITSAUKO 02

M angwanai akatevera, Ezekiel akafumira


kugadzirira kuenda kubasa. Farirai
akabika kudya kwamangwanai ndokubatsira
kurongedzera murume kuti achibuda.

Apo Ezekiel akapedza kudya, Farirai akati;


“Hausati wandipawo mari yekuwedzera
zvandiri kuenda nazvo kuna mhamha nhasi.”

Ezekiel akatarisa mudzimai achishamisika


ndokuti; “Mari yei futi? KuDomboshava
hakusiko kwatakaendesa mari yakawanda
yese iya last month?”

Farirai ndokuti; “Yaive mari yeDurawall nhai


Eze. Saka mhamha vobvisa durawall kuti
vadye here?”

Page | 20
“Ndiri kungoti chete it’s just too much money
for one person, one homestead. Chii chimwe
chauchada kutenga? Inga wakatotenga zvese
wani. Ndakaona some groceries mukicheni
umo.” Ezekiel akatsutsumwa.

“Haaa, shamwari, uri kundipa here kana kuti


hausi kundipa? Ungaziva everything
chinodiwa nemunhukadzi zvingaite here
izvozvo?” Farirai akadaro asisina moyo
murefu.

“Exactly what I always tell you. Kana ukaenda


kubasa kana kutengesa twunhu twako,
unozokwanisawo kuzvitengera zvinhu
zvenyu zvechikadzi zvekuwanda wanda izvi
zvisingaperi. I obviously don’t need to know
kuti chii, asi kana zvichida mari kwandiri, it’s
frustrating Farie sha. Hatikwanisi
kungoparadzana pasina kupanana mari
here?” Ezekiel akadaro.

Page | 21
Farirai akambofunga ndokuzoti; “Ndosaka
ndakati undipe bank card ndivewo
independent ndichiita some things at my
own time.”

Ezekiel akatarisa mudzimai kumeso ndokuti;


“Inga unoziva wani kuti sei ndakatora
macards ese nekuvhara bank account yako.”
Farirai akabwaira bwaira ndokuramba
akanyarara.

Murume akatakura kabheke kaive neLaptop


ndokutsvoda mudzimai padama,
ndokufambisa ondopinda mumotikari.
Farirai akazotevera kumashure
ndokundovhura nekuvhara gedhe
ndokunanaira achidzoka mumba.

“Mamuka sei mai Mashiri mwanangu?”


Mbuya Chauke vakanzikwa kudaro vari
pamusuwo wemba yavo. Farirai akadzora
ndangariro ndokunyemwerera atarisana

Page | 22
nambuya Chauke. Vese vakafamba
ndokusangana pawaya vomutsana.

“Nhasi ndiri kuenda kuDomboshava naTary


kundoona mhamha. Handisi kuenda nemi
kuRuwadzano.” Farirai akadaro.

“Zvakanaka mwanangu, undovafarisa.


Munoita zvakanaka iwewe nemunin’ina
wako, munoita zvinhu zvese makabatana.
Amai venyu vakakomborerwa chaizvo. Inini
vangu vana havaonane. Musi unoshanya
madzikoma aJanet, iye anotobva pamba.
Ndinoda vana vangu vese asi ivo
havawirirane. Ndakatovati varege kundiudza
nyaya dzekupesana kwavo.” Mbuya Chauke
vakadaro.

Ndokutizve; “Kana murume wako anoziva


kuti unokoshesa amai vako saka naiyewo
anokutsigira.”

Page | 23
Farirai akazhinya ndokuti; “Regai ndindogeza
ndibude amai. Ndokuonai manheru.”

“Pakanaka mwanangu, mofamba zvakanaka.”


Vakabva vaparadzana.

Farirai ndiye akatanga kusvika mudhorobha,


akananga kuchitoro chavatete vavo Marita.
Chitoro ichi chaive muna First Street uye
maitengeswa mbatya dzakasiyana siyana.
Vakakwazisana ndokumboseka vese, Farirai
ndokuzoti; “Tete ndokumbirawo kutora
zvinhu nechikwereti. Ndozobhadhara
mbichana mbichana.”

“Unoda hembe yakaita seiko nhai Farie? Kana


uchida hembe yakanaka, imbomira ndiende
ku order wozotora kubva pane dzichauya.”
Vatete Marita vakadaro.

Farirai akatsikitsira ndokuti; “Aiwa handisi


kuda zvekupfeka inini. Ndinoda underwear

Page | 24
yekutengera mhamha. Tiri kundovaona nhasi
saka mari yangu yakaperera ku groceries.”

“Ok, ok, uya utarise zviri kukona kuno uku,


wosarudza zvaunoda.” Vatete Marita
vakadaro.

Farirai akafamba chinyararire


ndokundosarudza zvaaida, vatete Marita
ndokuzoti; “Ko sei kuita seusiri kufara?
Kwakanaka here?”

Farirai akaedza kunyemwerera ndokuti;


“Kuda ndangoneta chete, ndiri kufara inini
tete.”
Vatete Marita vakaramba vakamutarisa
kumeso vakapeta maoko.

Farirai akaseka seka ndokuti; “Ndangoita


pressure mbichana. Ndatadza kutenga
zvinodiwa namhamha zvese. Ivowo havana
kundiudza paine nguva, ndatonzwa naTary,

Page | 25
Ezekiel abva andinyima mari.
Zvangondibhowa asi zvinopfuura hazvo.”

“Oh ok, ko iwewe wakambovabvunza here


kuti vanoda chii zvawaiziva kuti
muchavashanyira?” Vatete Marita vakadaro
vave kurongedza zvakange zvatengwa
naFarirai mupepa.

Farirai akambofunga ndokuzoti;


“Havambotaura avo, vanofarira kuudza Tary
pane zvese zvavanoda.”

“Inga wati Ezekiel akunyima mari. Pamwe


amai vanoziva kuti unenge uchishandisa mari
yemukwasha, saka havade kuti munetsane
nekuvachengeta.” Vatete Marita
vakatambanudza nyaya.

Farirai akadzungudza ndokuramba


akanyarara. Vatete Marita vakamutarisa asi
haana zvaakazotaura. Tarisai akabva apinda

Page | 26
muchitoro umu, akakwazisa vese ndokutarisa
nguva achiti; “Sorry ndanonoka wena. Handei
sisi Farie. Tete tokuonai mumwe musi.”
Vakabva vabuda vese voenda pamotikari
yaTarisai ndokurongedza tunhu twavo
ndokunanga kuDomboshava.

Mai Tinarwo, amai vaFarirai naTarisai,


vakafara kuona vanasikana vavo, ndivo
vaingove vaviri chete. Sezvavaiita pese
pavaishanyira amai vavo, vasikana vaisvika
votsvaira imba yese nekurongedza midziyo
zvakasiyana. Ndipo pavairongedzera amai
vavo zvitsva zvavainge vavavigira nekurasa
zvitsaru. Vaizopedzisa nekubika vodya vese,
vozooneka vodzokera kudzimba dzavo,
kuvarume vavo.

Apo vakange vave kudya, mai Tinarwo


vakabva vati; “Mwedzi unouya ndinoda
kuenda kuConference kuchurch. Inotanga
neChina yopera neSvondo. Takapiwa dress

Page | 27
code, tinofanira kusonesa African attires
nejira rechurch, uye mamwe mazuva ane ma
color awo. Saka ndinoda hembe three
dzekuenda nadzo.”

Farirai ndokuti; “Kuchiri kunamata here kana


vanhu vave kuudzwa zvekupfeka zvemazuva
ese? Inga magara mune mazambiya echurch,
haisiyo uniform yacho here? Conference
inogadzirirwa neFasting and Intercession
kwete ne all white and designs kunge fashion
show.”

Tarisai akaseka, ndokutadza kutaura zvaaida


nekuti amai vakabva vati; “Ndange ndisiri
kutaura newe Farie. Tarisai wazvinzwaka?
Ndinogona kutevera mari yawakaendesa
mavheji pachikoro chekuno apa. Kana
maticha ese akabhadhara hembe dzangu
dzinokwana pamari iyoyo.”

Page | 28
“Ok mhamha, asi ndinenge ndatokupai mari
yacho before monthend. Most supermarkets
vanotenga my veggies cash, vamwe
vanobhadhara in three days saka zvinoita.”
Tarisai akadaro.

“Ndizvozvo mwanangu. Ndinotenda


chaizvo.” Mai Tinarwo vakadaro.

Farirai akaseka seka ndokuti; “Mhamha


munoti ndaitadza kukutengerai one outfit
here pamatatu amuri kuda?”

“Unoronga mari isiri yako sei? Kana


yedurawall yamakazounza pano handiti
makangoita muchekadzafa vaida zvavo
kundipa vatopedza?” Mai Tinarwo vakadaro.

Farirai akadzungudza ndokuti; “Takaita 50-50


inga wani nhai mhamha?”

Page | 29
Mai Tinarwo vakaseka ndokupedzisira
vachikosora vachiti; “Unoziva maprices here
iwewe? Tary akangotora mari yawaive nayo
kuti ugoti makaita mese, akange atopedza
ega. Handiti unoita mari yekukumbira?
Wakasiira chii basa rako?”

Farirai akambogomera ndokuzoti; “Inga


mhamha munoziva wani kuti Eze aida kuti
ndiwane basa muno muHarare. Kushanda
kuBulawayo kwange kusingaite for our
marriage.”

“Mereji yamunoiteiko ndibvire apa. Dai


ndakaziva kuti unoda zvekungogara
mumereji uchishandirwa nevamwe dai
zvangu ndisina kukuendesa kuUniversity.
Shuwa kudhura kwaiita Degree rako
wakariita kuti uzondiudza kuti murume
wangu haade kuti ndiende kubasa? Ndobva
ndashaya kuti shuwa munhu ane Marketing

Page | 30
Degree anotadza kurikoshesa kusvika
pakadai seiko.”

“Ndichawana basa mhamha.” Farirai akadaro


achibwaira bwaira akatsikitsira.

“Uri kutotsvaga here basa racho? Ko hauna


kana business idea zvayo? Ko kwaTary
kumavheji uku watadza kushandisa
zvawakadzidza kuMarketing kwacho
wawanawo mari yako?” Mai Tinarwo
vakabvunza zvakare.

“Zvinoita here mhamha to hijack business


raTary nemurume wake?” Farirai akabvunza
asina mufaro.

“Chiitaka zvacho zvinoita tizvione nhai.” Mai


Tinarwo vakasemburwa.

Page | 31
Tarisai ndokuti; “Tichazotaura nasisi Farie
tionesane nhai mhamha. Patinodzoka next
time tinenge tave ne good news.”

Mai Tinarwo vakatarisa mwanasikana wavo


mudiki ndokuti; “Iwewe ndovimba newe.
Batsira mukoma wako uyu akapusiswa
nehudangwe achangamukewo muhupenyu
huno. Musi waanobhutsurwa nemurume
anorongedza mbatya muTshangani bag
agodzoka pano.”

“Why do you always wish me bad nhai


mhamha? Munongotaura curses and
misfortune paupenyu hwangu seiko? Inga
inini naEze tinoedza wani. Zvese
zvatinokuitirai tinoita tese naEze.” Farirai
akadaro inzwi razara neshungu.

“Inga ndozvandiri kutaura, kunzwisisa


kwagara kunokunetsa iwewe.” Mai Tinarwo
vakadaro.

Page | 32
Tarisai akambokwenya pakati pemusoro
ndokuzoti; “Sisi Farie, mhamha vari kuti
muitewo mari yenyu isiri yababamukuru Eze.
Chete.”

“What difference does it make kuti mari


ndeyani for married people? Saka kana
ndikaenda kubasa ndinenge ndofanira kuita
zvandinoda nemari yacho Ezekiel asingazive
here? Ko iyezvino tiri kumboita sei nemari
yake ega?” Farirai akadaro akatarisa amai
vake.

Mai Tinarwo vakadzungudza zvekushora


vakatarisa dangwe ravo ndokuramba
vakanyarara. Mumba makamboita runyararo
rwairwadza vese.

Mai Tinarwo vakazoti; “Nhai Tary,


wakazopedzisa kubhadhara stand yako
yekuMt Pleasant?”

Page | 33
“Ndakapedza mhamha, ndopaye pandaiti
mukwasha wenyu Stanley akazviziva asi
haana kufara. Ndosaka ndakamuti
ndeyenyu.” Tarisai akadaro.

“Handina basa nazvo zvemunhu


anotsamwira kubudirira kweumwe inini. Vaka
zvako iwe vana Mashiri ava vawane kumwe
kwekuroja.” Mai Tinarwo vakapedzisa
kutaura vachiseka.

Tarisai akatarisa nguva ndokuti; “Tave kuenda


isusu mhamha. Tinoda kupinda mutown
vekumabasa vasati vazadza migwagwa yese.”

“Maita basa vasikana. Ndokuonai


pamuchadzoka futi. Murangarire hembe
dzangu dzeku Conference. Tary undofarisa
vazukuru vangu.” Mai Tinarwo vakadaro.

Page | 34
Farirai naTarisai Tinarwo vakabva pamba
paamai vavo. Vakamboita nguva
vakanyararisana Tarisai achityaira
mumugwagwa maive nemakomba
nemakoronga akawanda.

Farirai akange akabata musoro pasina


chaaiona mumugwagwa. Akazoti; “Ko nhai
Tary, wakadii kundiudza kuti mari yeDurawall
yamhamha yandakakupa yaive shoma? Inga
takabvumirana wani kuti tiite hafu – hafu?”

“Imimi namhamha mukatanga nyaya dzenyu


hadzipere. Ndaida kuvhara mashoko sisi
Farie. Ndaisada kuti imimi nababamukuru
Eze munetsane nenyaya yekuchengeta amai
vedu.”

“Asika Eze never complained. Tinoita zvinhu


zvese tese. Mhamha ndivo vasingatotendi
zvandinovapa.” Farirai akadaro asina mufaro.

Page | 35
“Aiwa sisi Farie, mukadaro mave kurasika.
Mhamha vari kuda something chinonzi
chenyu. Inga vanogara vachitiudza
zvakafanana. KuPlot kwedu uko
nababamudiki venyu Stan tinoshanda tese.
Stan ndiye anotondibatsira, ndini
ndakatanga neProject yekurima, iye kwake
kubasa munokuziva.” Tarisai akatsanangura.

“Zvese izvi zvichingotaurirwa kuti tiite


competition nevarume vedu here? Kana kuti
tishandise mari yedu zvisinei nevarume
vedu?” Farirai akabvunza achinge aida
kuseka.

Tarisai akambofunga akanyarara


kwekanguva. Ndokuzoti; “I am not saying
mune problem in your marriage sisi Farie.
Uyezve zivai kuti mhamha kana vachitaura, its
not wishing you bad, or hurling curses at you.
Vanenge vachingotaura zvavanoona zviri
kuitika muupenyu hwenyu.”

Page | 36
Farirai akadzungudza achiti; “Chii chiri kuitika
muupenyu hwangu?”

Tarisai akambotarisa mukoma wake kumeso


ndokuzoti; “Kana muchiri kuwirirana, mari
irimo mumba, hapaite sepane problem sisi
Farie. Marriage yenyu haina
zvakakusunganidzai zvekuti mukasangana
nedambudziko chairo rinobvisa love feelings,
your marriage may not survive.”

Farirai akamboshama muromo ndokuti;


“What do you mean?”

“Hamuna mwana mese nababamukuru Eze,


saka hamuna vana vekugarira mu marriage
yenyu. Uyezve hamuna business or
properties amakatenga mese saka hapana
chekuti you fear to lose. That should bother
you.” Tarisai akadaro.

Page | 37
“Inga unotobvumirana nezvinotaura
mhamha, asi munombondinyeya?” Farirai
akabvunza.

Tarisai akambofunga ndokuzoti; “I just want


to protect you sisi Farie. Murume wenyu ane
some comments aanombotaura kuna Stan
kana vari vega, anoita kuti tione kuti hamusi
kufambirana. Your husband anodawo vana,
uyezve he is worried kuti musina mwana
kudaro, muri kutadza kuvakawo imba yenyu.
Kunge pane zvese he blames you.”

“Unomunyepera, Ezekiel haambodaro. Haana


kumbotaura zvakadaro kwandiri.” Farirai
akadaro ave kuda kuchema.

“Kana pakawana a serious trigger yenyaya


idzi munozorwadziwa sisi Farie. Inyaya dziri
very sensitive, munogona kutadza kudzitaura
zvakanaka. Saka the best way kutaura
zvakadai kunge munhu akadhakwa, kana

Page | 38
akatsamwa kana kuti akutadzira, instead of
simply apologizing obva akuudza kuti they
are not remorseful nekuti iwewe une
dzakowo dzekuti nedzekuti. I just hope
hamuzosvitsani ikoko.” Tarisai akadaro.

Farirai akatura befu rekuremerwa ndokuti;


“Imba imwe neimwe ine zvayo. Izvo
zvamhamha zvekuda kuitisa our marriages
kunge uniform ummm zvichatipa
matambudziko.”

“You are my sister, I love you very much


handidi kuti murwadziwe nekuchema
nezvinhu zvatingadai takagadzirisa zvisati
zvaitika.” Tarisai akadaro.

“Ok, ndichaedza kutaura naEzekiel ndinzwe


kuti anoti chii.” Farirai akapindura.

Tarisai akatarisa nguva ndokuti;


“Ndondokusiyai kupi? Kumakombi kana

Page | 39
kuBank kwabamukuru Eze? Ndoda
kundotora matwins kuCreche kwavo.”

“Handei unondisiya kwatete Marita, Eze


anozonditora ipapo kana apedza basa.”
Farirai akadaro neinzwi rakaderera. Tarisai
akabva anangisa motikari kuchitoro kwatete
Marita.

Page | 40
CHITSAUKO 03

E zekiel Mashiri akange akagara muhofisi


make panguva dzamasikati eChishanu.
Nguva yakange isiri kumufambira musi uyu.
Ndiwo musi wavakange varonga kuzoenda
nemudzimai wake kumba kwemunin’ina
wake Tarisai, vondorara vachitandara, kudya
nekunwa semhuri.

Pamusiwo pake pakagogodzwa ndokubva


asimudza musoro ndokuona atarisana
nemurume wezera rake waaiziva chaizvo.
Vakatarisana ndokunyemwerera, Ezekiel
ndokuti; “Ko ndiwe Lewis? Inga waita hako
wazondionawo. Wange warova wena.”

Varume vakagwinhana maoko vachifara


kuonana. Vakamboseka vachibvunzana
upenyu, mhuri nemabasa.

Page | 41
Pashure Lewis ndokuzoti; “Ndange ndauya
kuzotsvaga imwe loan, ndaudzwa kuti
hamuchapa maHome Loans in this bank. Ko
zvakatanga riini?”

“Oh that? Ndizvo chaizvo, so many things are


on hold, asi zvichazotanga futi. Pane zviri
kumbogadziriswa kuReserve Bank.” Ezekiel
akadaro.

“Eish, ndauya ndakanyatsovimba nekuwana


Loan muno. Manje zvirongwa zvese
musango.” Lewis akadaro.

“Maybe in six months’ time unogona


kuiwana, I will keep you updated.” Ezekiel
akadaro.

“Ndange ndichida kundopedzisa kuvaka


imba yangu kuti ndiise maroja wena zvino
ndotombomira.” Lewis akarondedzera.

Page | 42
“Hoo wave kutovaka kuStand iya
yatakatenga same time four years ago?”
Ezekiel akabvunza achishama na’i.

“Uri kureveiko iwe? Zvakare kare zviya here?


Ndiri kuvaka imba yangu yetatu wena. Paye
patakatora loan tese inini ndakaisa hafu
kuimba, hafu ndikaita business
ndorakazopedzisa kuvaka imba iyoyo,
nekutovaka dzimwe mbiri. Manje mazuvano
business is low saka ndange ndoda imwe
mari kuti kuvaka kupere nditange zvimwe.”
Lewis akarondedzera achifara.

“Iwewe wakazodii? Ndiyo imba yako yauri


kugara iyezvino? Imimi munoshanda muno
mumari munotowana maLoan nyangwe
isusu vamwe tikanyimwa.” Lewis akapedzisira
achiseka asi Ezekiel akange oruma ruma
chinyoreso chake akatarisa panzvimbo imwe
chete.

Page | 43
Lewis akasimuka achiti; “Ndakamirirwa
namadam wena. Rega ndichienda,
tozoonana mumwe musi.”

“Ok, ok. Wofamba zvakanaka.” Ezekiel


akadaro akagara ndokubata bata mapepa
ebasa.

Pakangobuda Lewis, akatora nhare yake


ndokuenda paFacebook ndokutsvaga Lewis
Mukora. Akatevera zvese zvaivepo ndokuona
mifananidzo yedzimba dzese dziri nhatu
dzaakavaka dziripo. Akaongorora
achiyemura. Mumoyo make akange asina
godo kana shanje, aive nekusuwa nekuti
aiziva kuti izvi aizvigonawo. NaLewis vakange
vadzidza vese kuchikoro, pavakatora
zvikwereti kuBank vakange vataurirana kuti
yave nguva yekuvaka dzimba. Akafunga kuti
yake mari yakange yaendepi akarwadziwa
moyo wake.

Page | 44
Akatsvagazve Stanley Zimunya murume
akange akaroora munin’ina wemudzimai
wake. Ndokuona mifananidzo yeimba
yavaigara kubva pachiri pasango kusvika
papera kuvakwa. Akatarisa mifananidzo yese
nemazuva aiitwa zvese ndokuona kuti vakaita
mwedzi minomwe kuvaka imba yavo kusvika
yapera vakandogaramo.

Nhare yake yakarira ichitambira katsamba


ndokubva avhura. Akaona mudzimai wake
Farirai achiti akange ave pachitoro pavatete
vake. Aida kuti azomutora ipapo vagoenda
kumba kwaStanley naTarisai Zimunya. Haana
kupindura.

Akaona misuo yebhangi yave kuvharwa,


mukati masara vanhu vashoma. Akasimuka
nemapepa aaida kuti asainwe nemukuru
webhangi ndokuenda kuhofisi kwake.

Page | 45
“Mukoma Mashiri, maswera sei?” Inzwi
rakadaro kubva pavanhu vaive muraini
rekuda kubatsirwa mubhangi umu.

Ezekiel akacheuka ndokusanganidzana


maziso naJanet Chauke. Akange akamirawo
muraini.

Ezekiel akanyemwerera ndokuswedera


padyo achiti; “Oh tete Janet, maswera sei?”

“Ndaswera zvangu kana maswerawo. Nhasi


ndauyawo kubasa kwenyu, ndapotsa
ndavharirwa panze.” Janet akadaro
achiratidza kufara kupinda mazuva ese.

“Zvakanakai tete, regai tipedzisewo basa


tatove padhuze nekuchaisa.” Ezekiel akadaro
ofamba achibvapo.

Ezekiel akabva adzokera kuhofisi yake


kwaaishandira ondopedzisa basa rezuva iri.

Page | 46
Pasina nguva, musuwo wake wakagogodzwa,
ndokubva Janet apinda.

“Sorry, ndakuteverai. Ndiri kudawo lift kana


moenda kumba mukoma.” Janet akadaro
achigara pachigaro chakatarisana naMashiri.
Ezekiel akambofunga kwaaida chaiko kuenda
musi uyu ndokumboita nguva akanyarara
ndokuzoti; “Ok, endai munondimirira panze,
ndokufonerai kana ndabuda. Ndipei cell
number dzenyu.”

Apo akange achaisa, Ezekiel naJanet


vakabuda vese nemotikari yaEzekiel.
Murume akatyaira ndokunanga paJongwe
apo vakandonwa nekugocha vasati vaenda
kumba.
Janet akaseka achibuda mumota ndokuti;
“Ko munotombouyawo kuno uku? Mega
futi? Ndaifunga kuti munongove neupenyu
hwekuti kubasa nekumba, mune mudzimai
wenyu everyday.”

Page | 47
Ezekiel akambonwa doro raakange atenga,
akafinyama nekuti rakamuvavira, ndokuti;
“It’s Friday nhasi, uyezve this weekend
handisi kushanda saka ndoda kumbonzwa
mhepo.”

“Ichokwadi, kunzwa mhepo hakusi


kungobuda kumafuramhepo seizvi, asi
kuendawo kure nevanhu vawajairirana navo.
Kana inini nedzimwe nguva ndinotsvagira
amai vangu kwekuti vaende, ndisare ndega
pamba ndimbozorora nyaya dzavo. Munhu
unombodawo nguva uri wega.” Janet
akadaro. Ezekiel akagutsurira nemuviri wese.

“Kana ndikapedza kuvaka imba yangu


ndinogona kutotama ndozongoita
zvekushanyirana namai vangu.” Janet
akadaro.

Page | 48
“Oh muri kuvaka nhai?” Ezekiel akadaro
mumusoro make achifunga nhaurirano
yaakange aita naLewis.

“Imba yangu yatosara roofing yega. Ndosaka


ndiri kutengesa tengesa twakawanda wanda
kuti zvibatane.” Janet akadaro achiratidza
kufara.
Nhare yaEzekiel yakarira ndokubva apindura
achiti; “Hallo. Chingoenda ndichauya kumba
kwavo later, ndichiri busy now.” Akabva
anyaradza nhare.

Janet ndokuti; “Kwakanaka here?”

“Ya, pane kwatange tichifanira kuenda


naFarie, my wife, asi ndichateera later.”
Ezekiel akadaro. Janet akambofambisa
miromo kunge ane zvaaida kutaura
ndokuzofunga kechipiri ndokunyarara.

Page | 49
Ezekiel ndokuzoti; “Wange uchiti uri kuvaka?
That’s impressive for a single young woman
to do that alone. Inini nemukadzi wangu tiri
vaviri tiri kutozvitadza.”

“Muchavaka henyu kana manyatsozvifunga.”


Janet akadaro.

“Ndakatenga stand kare kare


ndichangoroora, asi hurongwa hwese
hukazoenda musango. Handina kumbofunga
kuti ndingasvike nguva ino ndisati ndave
neimba yangu. Nedzimwe nguva
ndinombofunga kuti if I had married
someone else ndingadai ndichirarama zviri
different. Ndingadai ndakabudirirawo pane
zvakawanda muupenyu.” Ezekiel akadaro.

Janet akatarisa Ezekiel achishamisika, haana


kunge atarisira nyaya yakadai. Akabva ati;
“Different does not mean better.

Page | 50
Ingogadzirisai zviripo semafungiro amuri
kuita.”

Ezekiel akadzungudza ndokuti;


“Ndozvandaiedza makore ese, zviri
kutoramba. Nhasi ndiri kungosangana
nevanhu vezera rangu vari kuvaka dzimba
dzavo. Zvabva zvandiratidza kuti pane
zvandisiri kuita zvakanaka. Ndosaka ndisina
kunanga kumba nhasi, kuti ndimbofunga.
Kana tiri vaviri nemukadzi wangu tinenge
tichinyeperana kunge tiri kurarama
zvakanaka.” Ezekiel akadaro.

Janet akatarisa Ezekiel ndokuti; “Chii chiri


kunetsa? Kuna amai vangu you are the best
couple. Kana vakatarisa upenyu hwenyu
vanoona semunorarama zvakanakisisa
kupinda vanhu vese.”

“Hakuna munhu ane upenyu hwakadaro.”


Ezekiel akadaro neinzwi raive pasi.

Page | 51
“Asi zvevamwe zvakanyanya nekuti
zvinotoonekwa nevanhu vese. Kana
muchikwanisa kuzvivanza saka muchakagara
zvakanaka.” Janet akadaro.

Ezekiel akamboita seaizeza kutaura


ndokuzoti; “Mukadzi wangu anonyanya kuita
zvekumba kwavo kupinda zvekwedu,
kupinda even zvemumba medu tiri vaviri.
Ndinotoita seni muroora wekwavo.”

“What do you mean? Hamuite zvese mese


here?” Janet akabvunza.

Ezekiel akadzungudza ndokuti; “Let me give


you an example yezviri kutoitika iyezvino.
Nezuro akandoona amai vake, akavatengera
a lot of groceries nezvimwe zvese zvavanoda.
Nhasi ange achida kuti tiende kumba
kwemunin’ina wake kuweekend.”

Page | 52
“Zvakaipei izvozvo?” Janet akabvunza
achishaya kwaienda nenyaya.

“Amai vangu vakabva kumusha kwaMutoko,


vari kuChinhoyi kwamukoma wangu. Asi
haadi kundovaona kana kutiwo vatishanyire.”
Ezekiel akatsanangura.

“Ko imimi daidzai amai venyuka.


Anovadzinga here kana vakauya?” Janet
akabvunza.

“Haataure, haaise effort yaanoisa kumba


kwavo. Kana zviri zvekumba kwavo
tinoshandisa mari yese chero yatange
tarongera zvimwe zveduwo. Asi ndikataura
zvaamai vangu kana hama yangu
anonyarara.” Ezekiel akadaro. Janet akashaya
zvekutaura ndokuramba akanyarara.

Ezekiel akambokwenya maziso ndokuzoti;


“Mari yaifanirawo kuvaka imba yedu

Page | 53
ndoyakatenga mota yaamai vake nekuvaisira
durawall.”

Janet akashamisika ndokuti; “Zvakaitika sei


musingazive?”

“Aive neBank Account yake ega, uye aigara


nemaBank cards ese ndiye.
Ndakangozoudzwa kuti mari hapachina,
ndakabva ndavharisa zvese, iyezvino haana
bank account and ndozvichengetera my
bank cards. Kana achida mari ndomupa cash,
like a child. Haade kuudza hama dzake kuti
haana mari. Idzowo hama dzake hadzina
basa nekubudirira kwake. Hameno kuti amai
vake pavanopiwa mari yekutenga mota
nemunhu asingaende kubasa, asinazve
business ravanoziva vanenge vachiti aiwana
kupi. Ndipo pandinofunga zvakawanda kuti
nyangwe akawana mari nenzira dzisina
kunaka vanongotambira nekuti

Page | 54
ndozvavanoda.” Ezekiel akatsanangura
achiratidza kufungisisa nekurwadziwa.

Janet akadzungudza ndokuti; “Izvo zvamave


kufunga zvave zvimwewo. Madii
kungoshanda nezviripo zvamunoona. Nyaya
yenyu ndeyekuti mudzimai wenyu
anowandira kumba kwavo, chete. Ndange
ndichitofunga kuti muchataura kuti hamuna
mwana. Ndodambudziko renyu riri pachena
ratinoonawo isusu vekunze.”

Ezekiel akakurumidza kuti; “Kutadza kuita


mwana kwedu is beyond our control. Tese
hatina zvatingaite kuti tiwane mwana kana
zvichiramba. Asi zvandiri kutaura izvi are
choices aari kuita. Handisi kumafarira, hatisi
kuwirirana uyezve haasi kunditerera.”

Janet akati; “Oh, ok.”

Page | 55
Vakamboita nguva vakanyarara vachiterera
nziyo dzairidzwa, uye kudya nyama
yavakange vatenga.

Janet ndokuzoti; “I hope you now feel better


kana mambozvitaura nemumwe munhu.
Wanai nguva yamunotaura zvese izvi
nemudzimai wenyu.”

Ezekiel akadzungudza ndokuti; “Hapana


chekutaura, ndaneta nazvo. I want a different
life. Kuda tikamboenda pa separation
angandinzwisisa.”

“Aaa, is it that bad?” Janet akashamisika.


Ezekiel akabwaira bwaira kunge aida
kuchema.

“Imbotaurai naye futi, this time muri very


serious. Munongotaura sekundiudza
kwamaita kuti kana zvikasachinja you are

Page | 56
prepared to separate. Akaziva kudaro
anogadzirisa.” Janet akadaro.

“You are a wise woman Janet, dai ndakataura


zvangu newe kare.” Ezekiel akadaro
achiyeverwa naJanet.

“Munombotiona here kana aripo Farirai


wenyu uya? Anoita kunge ndiye queen of
marriages muraini rese. Asi anoonekwa zvake
kuti ane moyo wakaipa. Makaona rough
yaakandiitira pandaiedzawo kutengesa
hembe dzangu?” Janet akadaro.

Vese vakaseka, Ezekiel asingade kutaura


pamusoro pezuva iri. Ezekiel ndokuzoti;
“Muchiri kutengesa here hembe dziya?”

“Ndinadzo, ndichakupai zvangu imwe


mahara mupfeke and advertise kubasa
kwenyu.” Janet akadaro.

Page | 57
“Thank you so much, ndinofarira African print
shirts. Ndipei ndigokubhadharai.” Ezekiel
akadaro.

“Manje hamundonetsani kumba? Handiti


mukadzi wenyu akamboramba kuti
mutenge?” Janet akabvunza achiseka.

Ezekiel akasekawo; “Mari ndeyangu


ndotenga zvandinoda.”

Ezekiel akabudisa nhare yake muhomwe


ndokumbotarisa mameseji ese aivepo.
Akadzungudza ndokuramba akanyarara

Janet akabva ati; “Makamirirwaka? Inga


mambomuvimbisa kuti muchatevera?”

“Ndave kutondorara ini. Mangwana


ndofumira kuenda kuChinhoyi kwamukoma
wangu. I am just bitter and emotional now.
Nyaya yekusava ne properties yandibata

Page | 58
nhasi. Ndinoda kumbove pakati pehama
dzangu ndiwane simba rekuita zvimwe zvine
musoro.” Ezekiel akadaro.

Vakapinda mumota vese ndokunanga


kumba kwavo kuWaterfalls. Ezekiel akasvika
achisiya Janet pagedhe repaamai vake, iye
ndokupinda mumba make orara.

Page | 59
CHITSAUKO 04

M usi weSvondo manheru, Ezekiel


akasvika pamba pake achibva
kuChinhoyi kwemukoma wake, ndokuwana
mudzimai wake avepo. Vakatarisana vese
vakagumbuka chaizvo hapana akada
kutanga kutaura nemumwe.

Musi weChipiri, Ezekiel akapinda mumba 9


dzamanheru dzichichaya. Akawana Farirai
akagara mumba mekutandarira asina
mufaro.

“Sadza rako riri mu microwave.” Farirai


akadaro apo Ezekiel akange arara pasofa
achibaya baya remote control yeTv
achitsvaga chekuona.

“Handisi kuda kudya, ndakaguta.” Ezekiel


akadaro.

Page | 60
“Tichagara takadai kusvika riini? Kubva
neChishanu pawakandirega ndichienda
kuEastlea kwana Tary ndega, hauna zvauri
kutaura.” Farirai akatsutsumwa.

“Pane chekutaura here?” Ezekiel akapindura.

“Eze, you trashed our anniversary. You


embarrassed me ndichikufonera usiku hwese
usingapindure. Asi wave kuti hapana
chekutaura unorevesa?” Farirai akadaro
neinzwi rakazara misodzi.
Ezekiel haana kupindura, akawedzera ruzha
rweTv.

Farirai akambofemereka neshungu


ndokuzoti; “Wakaregerei ndichienda kumba
kwaTary kana waiziva kuti hausi kuzotevera?
Iyezvino I have a lot to explain kuti waivepi,
asi nanhasi handizive kuti waivepi, nani
uchiitei chakakutadzisa kuita zvatakange

Page | 61
taronga tiri tese. Iyezvino ndave kungonyepa
kuti wairwara, kana vakakufonera kana kuuya
kubasa kwako, ubvume izvozvo kuti wakaita
diarrhea ukatadza kuuya kumba kwavo.”
Ezekiel haana kupindura zvakare.

Farirai akange ofemera pamusoro nehasha;


akatizve; “Chokwadi ungati musi we6th
anniversary yedu wongonyangarika?
Haunyari here? Apa hausi kutaura kwawaive.
Sei kusakoshesa marriage yedu, muchato
wedu? Vangani vakasvika 6 years vari vese
sezvataita nhasi…”

Ezekiel akaridza tsamwa yakavhundutsa


mumwe wake; “Haaaa, haufunge handiti? 6
years in marriage tichiiteiko? Hee? What have
we to show for this silly union? Hausi kuona
wega kuti tave ne 6 years tese dzekutambisa
upenyu?” Ezekiel akakwamatata.

Page | 62
Farirai akaita searohwa mbama nemunhu
waange achiseka naye. Akaramba akashama
muromo akatarisa murume wake. Pave paya
akazoti; “Wati chii Ezekiel Mashiri?”

“You heard me.” Ezekiel akadaro asina


kutarisa mukadzi kumeso.

“Zvabva kupiko izvi? Waizvifunga riini zvese


izvi? Uri kutamba naniko mazuvano ari
kukufurira?” Farirai akadaro achiri
kushamisika.

Ezekiel akadzungudza ndokuti;


“Wakazvionawoka kuti ini ndega handifunge,
ndosaka uchifunga kuti pane
azondifungirawo nhasi? You are right.”

Farirai ndokuti; “Ndiko kuti chii? Zvinorevei


izvozvo?”

Page | 63
Ezekiel akatarisa mukadzi ndokuti;
“Usandinetsa, I need my peace.”

“Kana uine zvausiri kufara nazvo mumba


muno haugone kutaura zvakanaka here
tikanzwisisana? Sei kutanga nemadrama
anopinza vanhu vakawanda wanda pasina
chatiri kugadzirisa?” Farirai akazodaro.

“Imbondisiyawoka ndega, ndine zvandiri


kufunga zvakawanda zvandisingade
kukanganiswa. Nyangwe ndikakuudza
haunzwisise iwewe.” Ezekiel akadaro.

Farirai akagomera neshungu ndokuti;


“Kunzwisisa chiiko chisingataurike nhaiwe?
Haugone kungotaura nyaya yako zvakanaka
seiko?”

Ezekiel akamuka paakange akarara


ndokugara pasi; “Uri mwana mudiki here
anoudzwa zvekuita? Haugone kubvunzawo

Page | 64
kuti amai vangu vandakandoona vange
vakadii? Muroora asina hanya naamai
vakamuberekera murume. Ndakakuti handei
kuChinhoyi wakandinzwa? Ndakakuudza kuti
ndokwandaive on Saturday wakadii
kutevera? The same embarrassment
yawakaita uri kuEastlea ndoyandakaita ndiri
kuChinhoyi. Hama dzangu dzese
vachingobvunza kuti saka uchauyawo
kuzovaona riini.”

Farirai akambotambisa miromo achishaya


zvekutaura ndokuzoti; “Ko ndozvatakange
tataurirana here kuti tichaenda kuChinhoyi?
Inga takanyatsobvumirana kuti taizoenda
kuEastlea kwana Tary for our anniversary. Dai
wakauyaka ikoko takazotaurirana zvekuenda
Chinhoyi.“

Ezekiel akaseka ndokuti; “Iwewe neni tinoziva


kuti waisambobvuma, so I just decided kuti
mumwe nemumwe aite zvehama dzake.”

Page | 65
Farirai akabata musoro ndokuti; “Kana
ndikafunga kuti Tary akambondiudza kuti
ndozvauchandiitira izvi ndikamurambira
ndinorwadziwa. Akati mumwe musi
uchangofuma usina hanya neni
ugondipomera mhosva dzisipo nekuti hatina
…. mwana or…. anything chinotisunganidza.
Ndakatomuti anopenga chaiko.”
Ezekiel akabata musoro achifunga mashoko
akange ataurwa nemunin’ina wemudzimai
wake.

Farirai ndokuti; “Zvaita seiko nhai Eze? Inga


tange tichingofara tese zvakanaka mazuva
ese? Kana mbuya Chauke testified kuti
tinorarama zvakanaka. Chii chakaitika musi
weChishanu nhai veduwee?”

Ezekiel akashama n’ai ndokuti; “Inga Tary


akatokuudza wani. Hapana chatinacho
pamba pano apa. Tinongoraramira kuitira

Page | 66
amai vako zvavanoda zvisingaperi. Iwewe
wega ndiwe usingazvione, vamwe vese
vanozviona. Inini I am just fed up.”

“Fed up with what exactly? Ndakutadzira chii


nhai Eze?” Farirai akanyunyuta.

“Fed up nekuraramira kudya pano apa kunge


broilers. Hatina mwana wekufungawo
nezvake. Hatina imba kana business or any
project yekuitawo tese as a couple. Kana one
wedu akafa nhasi what will the remaining
partner inherit or even miss? Nothing.”
Ezekiel akadaro inzwi rakwira.

Farirai akambofunga ndokuti; “Saka


haukwanise kutaura zvakanaka here? Can’t
we just set our goals positively and work on
them pasina kutsamwa nekuita
sekupomerana? Sei uchitaura kunge ndini
ndiri kukonzeresa all the challenges you just
listed?”

Page | 67
“Of course ndiwe uri kukonzeresa. Mari
yandakatora loan kuti titangewo kuvaka iri
kupi? Wakatora ukapa amai vako vakaisa
durawall. Imwe ukatora vakatenga mota.
Every month unotenga zvinhu zvatisina kana
isusu pano uchipa amai vako. Saka hauzvione
kuti ndiwe uri kukonzera hurombe hwangu?”
Ezekiel akadaro.
Farirai akabwaira misodzi ndokuyerera,
akabva ati; “Sei uchiita sendaiba mari yacho?
Inga zvese ndaikuudza wani. Mhamha vangu
vane vana vaviri chete inini naTarisai, tisu
tinovaitira zvese zvavanoda. Unoziva wani
kuti vakatama kuMasvingo vachiuya
kuDomboshava pakafa daddy, saka waida
kuti vaite sei?”
“Inini handina kuzvarwa handiti? Ko amai
vangu vanoraramawo sei? Iwewe sei uchiita
competition naTarisai ane business rake rine
mari yakatowanda kupinda yemurume wake?
Iwe une mari ipi? Saka inini mhosva yangu

Page | 68
kukuroora saka ndofanira kushandira
pakasiiwa nababa vako? Unotoona zvine
musoro izvozvo?” Ezekiel akanyunyuta.
Farirai haana kupindura asi kungobata
kumeso nemaoko ese ndokupfikura
kuchema.

Ezekiel akasimuka ndokusiya mudzimai


achichema ndokundorara. Farirai
akazotevera mushure meawa yese.

Pazuva rakatevera, Ezekiel akasiya mudzimai


akarara iye oenda kubasa. Akaona Janet
achibudawo pagedhe pavo ndokubva
amumirira ndokuenda vese kubasa.
Ndozvavakazoita vhiki yese iyi, vaienda vese
kubasa, uye vaidzoka vese.

Musi weMugovera, vese vakapedza basa


masikati, ndokunanga kunzvimbo
yekutandara uko vakandonwa nekugocha.

Page | 69
“I admire the way you do your things Janet.
You have inspired me kuti ndichitangawo
kuvaka. Nguva yange yareba ndisina
kumbosvika kuStand kwangu asi nhasi
ndaendawoko, thanks to you.” Ezekiel
akadaro kuna Janet ndokumubata ruoko
vakagara mumota.

“Makazotaurirana here nemudzimai wako?


Makabvumirana kuti chii? Akakunzwisisa?”
Janet akada kuziva.
Ezekiel akadzungudza ndokuti; “Hapana
chekutaura, ndiri kutofunga exit plan yangu.
Handichada this marriage. Ndiri kungofunga
kuti ndozviita sei kuti tiparadzane zvakanaka
zvisina ruzha.”

Janet akaseka ndokuti; “Ichokwadi


chawaitaura kuti upenyu hwese
waingoraramira this woman. Akakuita munhu
wake chaiye.”

Page | 70
Ezekiel akatarisa Janet ndokuti; “Sei wadaro?
Besides zviri kuitika iyezvino, honestly
handina imwe problem naFarie. Zvave
kubudikira iyezvino ndingati ndoanonzi ma
long term problems atave kuona, nguva
yarebawo. Asi pazvaiitika makore ese
taisambozviona.”

“Iwewe uchifunga kudaro achakutangira.


Handiti wakati munin’ina wake
akambomuudza kuti kumba kwavo
vanotozviziva kuti mereji yenyu haina
kwainosvika? Saka unoti havana plan B?”
Janet akadaro.
Ezekiel akavhunduka achifunga mashoko
aJanet.

Janet akatarisa murume kumeso ndokuti;


“Wakamboona here kuti in every family pane
couple ine marriage yakadhererwa?
Ndovanoitiswa all the dirty jobs,
ndovasingapiwe privacy, nyaya dzavo

Page | 71
dzinotaurwa taurwa, dzigotongwa nemunhu
wese mumhuri asi dzevamwe hadzibude.
That couple inongoshoreka so, nobody cares
kuti vari kubudirirawo here kana kwete.
Munhu wese mumusha anongotaura
zvaanoda pamusoro pavo zvekuseka
nekuvashora pasina kumbovakurudzirawo.”

Ezekiel akaramba akanyarara akaterera, Janet


ndokuti; “Ukanzwa vachitaurwa nezvavo
unotofunga kuti vamwe vese havana
problems. Unotofunga kuti ndivo vane
maproblems mahombe. Hazvimboreva kuti
ndivo vane mari, asi kana vabereki vachida
kuitirwa chinhu, unoona vanotora mari yese
to the last cent kubva kune wavakadherera.
Vagonzwisisa kuti uyo haana mari ari kuda
kutenga mota yake yechi 4, asi vapiwa mari
neari kuda kutogadzirisa kamugweje kake 1,
kuti awanewo chekuitisa mari pamugwagwa.
Zvese izvozvo havana basa nazvo.”

Page | 72
Ezekiel akakwenya maziso ndokuti; “Asi
zvakadaro zvinokonzerwa nei nhai?”

“Kufumuka chaiko, one of you mumba


imomo anenge aine low esteem saka anenge
achitaurisa nyaya dzenyu. Kana kuita
zvamusingakwanise mopedzisira
madhererwa. Kutaura kuti handidi, handina
kana kuti handikwanisi hakuna kumboipa.
Ukadaro vanhu vanoshanda nezviripo. Asi
kuti vanhu tinoda kuonererwa nezvatisina
kusvika tave abused by our family members.”
Janet akatsanangura.

Ezekiel akaregedza ruoko rwaJanet ndokuti;


“Saka uri kuti inini naFarirai ndozvatiri here?”

“Kumusha kwakeka? Ehe ndimi couple


yakadhererwa. Unogona kutoona kuti
ambhuya vako vaitoti ngaatipe mari anoidii
asina mwana. Asi vasina hanya nekuti ko

Page | 73
imimi mumba menyu muneiwo, muri
kuiteiwo.” Janet akadaro.

“Asi munin’ina waFarie ane mari yake, isiri


yemurume wake. Ane twuma projects
twakawanda wanda sezvaunoita iwewe.
Problem vanozoda kupa amai vavo mari
yakaenzana naFarie asina kwaanowana mari
kunze kwekubva kwandiri. Izvozvo
ndozvandisingade.” Ezekiel akadaro.

“Nekutika Farirai wacho anovaudza kuti


munayo. Kana kuti anoti ndiye anotonga
mari yako yese. Saka kana achivapa
vangairambirei havo?” Janet akadaro.

“I am just tired of this marriage, handichada


nezvake mukadzi uyu.” Ezekiel akadaro.

Akabata zvakare ruoko rwaJanet ndokuti;


“Ndakagara ndichingofunga nyaya iyi
kwenguva yakareba. Kuzotaura newe

Page | 74
kwanyatsondiratidza kuti zvandaifunga
ndezvechokwadi. Kunze kwaizvozvo, Farie
haana basa nehama dzangu. Hapana
zvaanotaura kana kuronga pamusoro pavo
sezvaanoita zvekumba kwavo.”

Janet akati; “Ndozvandati uchatangirwa.


Maybe munhu anenge akatokutangira kuona
kuti marriage yenyu haina kwainosvika
akatanga kuzvigadzirira life after you.
Uchanyeperwa kuti mari inovaka pamba
paamai vake iye achitovaka imba yake. Kana
kuti pamai pacho anopashingirira nekuti
anoziva kuti ndopaachazogara ndosaka asina
hanya nepenyu as a married couple.”

Ezekiel akanzwa obuda dikita ndokupukuta


kumeso nemaoko ese.

Akatarisa Janet ndokunyemwerera achiti;


“Wakandibatsira wena. Rega ndione zvekuita
ndigadzirise upenyu hwangu.”

Page | 75
Ezekiel akatarisa nguva ndokuona kuti 10
dzakange dzachaya, vese vakange vave
kungoshama n’ai. Akamutsa motikari
ndokuridza mimhanzi vananga kumba
kwavo.

Ezekiel akamisa motikari pagedhe pambuya


Chauke ndokubata Janet ruoko kuti asabude
mumota ndokuti; “I wish we had started this
conversation years back kubva patakatanga
kugara muno. Ndingadai ndave kure
neupenyu. Thanks wena, you are what I need
right now.”

Ezekiel akatarisa Janet kumeso ndokumubata


dama, paakaona mukadzi asina kupokana
nazvo, akamuswededza padyo
ndokumutsvoda.
Vakatarisana ndokunyemwererana vese,
Janet ndokubuda mumotikari oenda kumba
kwavo.

Page | 76
Ezekiel akasvika mukadzi arara ndokunanga
kundogeza. Paakabva kundogeza akawana
Farirai akabata nhare yake nehembe
yaakange akumura usiku uhwu.

Ezekiel akabvuta nhare yake nesimba zvekuti


Farirai akasara achirwadziwa ruoko. Mukadzi
akasara akabata hembe yega, vakatarisana
Farirai ndokubvunza; “Ko shirt iyi ndeipi?
Haisiyo yaitengeswa naJanet here iyi?
Wakazoitenga riini?”

“I had a hard day at work, ndiri kuda


kuzorora, please.” Ezekiel akadaro
ndokupinda mumagumbeze akabata nhare
yake.

“Ko Builder Jay ndiani?” Farirai akabvunza.


“Ndiye wawange unaye zuva rese?
Matumirana ma message just before knock

Page | 77
off time uchiti uchazomutora hausi kuda
kuuya kumba.” Farirai akadaro.
Ezekiel akabaya baya nhare yake
ndokuramba akanyarara.

“Builder Jay ndianiko nhaiwe!” Farirai akadaro


inzwi rakwira.

“Ndibhiridhaka nhai sezvauri kutaura.”


Ezekiel akadaro ndokumuka paange arara.
Akatora rimwe gumbeze ndokuenda mumba
mavaenzi. Farirai akabata musoro achinzwa
kurira kwekiyi, Ezekiel achizvikiira mumba
mavaenzi maakange asarudza kurara.

Page | 78
CHITSAUKO 05

M usi weMuvhuro panguva dzekudya,


Ezekiel akaenda kuPillbox Pharmacy
kwaishanda Janet. Musikana akashamisika
kuona Ezekiel achisvika akabata zvekudya
zvamasikati. Akabuda ndokubva vandogara
mumotikari maEzekiel vachidya nekuita
nyaya.

“Nezuro wese wakaswera wakanyarara,


ndakafunga kuti you are regretting the kiss.
Kana nhasi makuseni handina kukuona
uchibuda panze. Masweraka makavharirana
muchiitana masori sori.” Janet akadaro
ndokuseka seka achigomera neshanje.

Akaenderera; “Ndakangofunga kuti


ndozvinoita varume vevanhu kana
vakatsamwira vakadzi vavo. Vanombotamba
tamba nesu masinguru vozodzokera havo

Page | 79
kumba.” Janet akadaro akatarisa Ezekiel
achiseka, kunge aizviseka.

Ezekiel haana kuseka; “Not at all. I loved every


bit of our first kiss. Farie akaona some of our
chats, saka ndakange ndisingade noise. Saka
ndakaswera mumba ndiri good boy pasina
kubata phone kana kutaura nemunhu. Kana
naiye Farie wacho handisi kutombotaura
naye.”

Janet akarohwa nehana ndokuti; “Ummm


baba imimi, muchanditadzisa kufamba
muraini ndave kunongedzwa kunzi
mhunzamusha. Ndozvinonetsa kuseka
nevarume vanotongwa nevakadzi vavo, musi
wavanongotaura nemumwe mukadzi
votobatwa. Inini handidi zvekutukwa
nemukadzi wako.”

“Akangoona a few things, she is not even


sure kuti yaive nyaya yei. Uyezve pange

Page | 80
pasina zita rako saka haatombozive kuti
ndaitaura nani. Pakange pasina futi nyaya
yainzwika kuti pari kutaurwei, saka akashaya
chekutaura chaicho.” Ezekiel akadaro vese
ndokuseka vachifunga kuvhara nekupusisa
kwavakange vaita Farirai.
Ezekiel akabata Janet ruoko ndokuti; “I like
you Janet, the kiss meant everything to me.
Yakatiswededza padhuze. Ndakaramba
ndichikufunga zvekuti weekend yese
yakazopera ndisingachaone kuti ndine
munhu wandinogara naye mumba. Zvakabva
zvandiratidza kuti handione a future with
Farirai. Ndiwe wandinoda.”

Janet akambozvidzikamisa hana yairova


ndokubva azoti; “Mave kuda vakadzi vaviri
here nhai vaMashiri?”

“Barika handirigone, ndinoda iwewe wega.”


Ezekiel akadaro asingakakami.

Page | 81
“Ko mai Mashiri varipo vagodii?” Janet akada
kuziva nekuti kana iye moyo wakange wave
kumurume uyu. Wakagara uriko kare. Ndizvo
zvimwe zvaaimuvengera nekuti airatidza
kuda mudzimai wake zvakanyanya
asingamuonewo. Ko handiti zvainzi varume
imbwa? Iyi imbwa yaisahukura kwese kwese,
yaisadya kwese kwese, yaingotenderera
mumarokwe aFarirai. Apa wakange wazoita
muedzo wapinda mukapu setii, waifanira
kungonwiwa, womedzwa, zvipere.

“Ndatotanga kugadzirira kurambana kwedu.


Musi weMugovera ndakandoudza amai
nemukoma wangu kuti handichada Farirai.
Amai havana zvavakataura, kureva kuti
vakazvitsigira but she doesn’t want to be
quoted. Avawo mukoma vakati zvisunungure
kana usingafare muupenyu hwako.
Zvakandiratidza kuti vaizviona kuti
ndinoraramira kumusha kwemukadzi kunge
ndini muroora.” Ezekiel akadaro.

Page | 82
Janet akambofunga ndokuzoti; “Kana
wafunga moving on neni worega
zvekuramba uchitaura nezvemukadzi wako.
Endai mundopedzerana nyaya dzenyu
zvisinei neni. Handingadewo relationship
yekungodemberwa zvaitadza munhu wako
wawakazvisarudzira.”

Ezekiel akanyemwerera ndokuti; “I take this is


a yes to my proposal. Manje matotanga
nekundipa mitemo here nhai?” Vese
vakaseka vachitarisana mumaziso.

Janet ndokuti; “Kungotaurawo sha, hatizive


zvamunozofunga kana maenda kumba
kwenyu.”

“Just give me time to sort out my mess.


Ndiwe wakandipa courage and confidence
dzekusiyana nezvisingandibatsire muupenyu
hwangu.” Ezekiel akadaro ndokutarisa nguva.

Page | 83
Akati; “Ndichauya ndokutora tigoenda
kundodya kuRestaurant in town tisati taenda
kumba. Handichadya kumba, kana
mubedroom ndakabuda. I need my time
alone.”

Janet akanyemwerera nemoyo nemapapu


zvese ndokuti; “Inga uri serious nhaiwe.”

Ezekiel akagutsurira ndokuti; “I am very


serious. Ndosaka ndati ndipe nguva. Handidi
kuti Farie azive kuti iwe neni tinodanana saka
usandifonera kana text kana tiri kumba.
Ndokutanga inini tobva tangobuda toonana
kure nekumba.”

Janet akanyemwerera ndokuti; “Asi amai


vangu vakabvunza, kuti sei tave kuwirirana
zvakadai asi ndisingawirirane nemudzimai
wako. Ndakangovati siyanai nazvo nekuti

Page | 84
ndakange ndisingazive kuti tiri kuitei. Now I
know, we are in love.”

“Ndiri kuzviona kuti hausi kunditora serious


iwewe. Uchashamisika mumwe musi
ndatama kana kuti waona Farie abuda
mumba mangu.” Ezekiel akadaro.

Janet akasekenyeka ndokuti; “Thanks for


lunch, toonana after work.” Akabva abuda
mumota ndokudzokera maaishanda.

Ezekiel akanyemwerera ndokutyaira motikari


odzokerawo kubasa kwake. Pfungwa
dzakange dzakamuwandira. Mumoyo make
akange achiri kuda mudzimai wake, Farirai.
Asi upenyu hwavairarama hwaimusvota,
hwaimupa hasha. Zvese zvavaive muupenyu,
kunyanya zvavakange vasina, aipomera
mudzimai waakange akaroora, kuti ndiye
akange aita kuti vazvishaye.

Page | 85
Kuda kana vaimboparadzana, pakamboita
mukaha pakati pavo, aizomuterera. Uye
akange achida kuzvipa mukana
wekumbounganidza mari yekuvaka
nekutotanga kuvaka kwacho mudzimai
asipo, uye asingazvizive. Kana
vaizogadzirisana pamberi apo, aifanira
kuzomuratidza kuti ndizvo zvandaireva izvi.
Semaonero ake, kana vaizoshanda vese
vachiwirirana, hapana chaizobuda.
Sezvakange zvaitika makore ese avakange
vari vese, mari yavaichengeta vachiziva vese
yaizongopedzisira yave kumba kwamai
vaFarirai.

Ko Janet? Janet aive shamwari yerwendo


rwake urwu rwaakange atanga. Aida munhu
wekutaura naye aimunzwisisa sezvakange
zvaita Janet. Aida munhu wekutaura naye
achimusimbisa kuti zvaakange achiitira
mudzimai wake wemuchato zvakange
zvakanaka. Kana zvaizomuvakirawo imba

Page | 86
yake nekubudirira muupenyu
vaizokumbirana ruregerero musi uyoyo.

Aida munhu aiziva kuita mari nebhizimisi,


mari yekuvaka imba nekutenga zvimwe
zvishandwa zveupenyu. Mumba make
akange azvishaya, saka akange afunga
kuzvitsvaga kunze. Akange atsvaga akawana
Janet Chauke.

Sekuziva kwaaiita Farirai akange asingade


zvekurambana, nyaya dzese dzaiita kuti
varambane akange asingade kudzinzwa.
Aiziva kuti angatoda kuti vaite vakadzi vaviri
pane kusiya murume wake. Farirai waaiziva
akange asingade zvakare kuti hama dzake
dzizive kuti pane zvavari kunetsana kana
kusanzwisisana mumba mavo. Saka aizowana
zvaaida kuna Janet ambonyaradza
nekusudurutsa Farirai. Ambobvisa Farirai
pakugara vachirwa nekusawirirana mumba
mavo.

Page | 87
Kunyange hana yairova paaifunga izvi, hasha
neshungu zvakaita kuti aone saizvo zvega
zvaizoita awane zvaaida.
Manheru emusi uyu Ezekiel akasvika kumba
Farirai akamumirira. Mukadzi akarongedza
sadza patafura ndokumirira kuti murume
achadzoka kuzodya kubva kuimba yekurara
kwaakange aenda. Nguva yakafamba asina
kudzoka kusvika Farirai atevera.

Akawana Ezekiel asimo mumba mavo


mekurara, ndokuenda mune imwe imba
yairara vaenzi. Akawana akagara
pamubhedha akabata nhare yake
achisekerera chaizvo. Airatidza kufadzwa
nemunhu waaitaura naye.

Ezekiel akavhunduka pakapinda mudzimai


wake mumba umu ndokumutarisa achiedza
kuvhara kunyemwerera kwaive pameso pake.

Page | 88
“Uchapedza kutsamwa riini nhai Eze tigarewo
mumba medu zvakanaka? Ndaneta
nekushaya rugare pano, handina kuzvijaira.”
Farirai akademba.

“Ko inini ndaita sei? Ndini ndine rugare rwako


here inini?” Ezekiel akabvunza.

“Ummm usadaro shamwari. Hatisati


tamboitirana zvakadai kubva tichigara tese
kwemakore 6 ese. Inyaya yei isingataurike
nekugadzirika?” Farirai akanyunyuta moyo
uchirwadza.

“Hausi kumboshanyira amai vako here? Inga


ndiyo nyaya yega yatinoronga zuva nezuva,
mwedzi wese.” Ezekiel akadaro, Farirai
ndokuramba akanyarara.

Ezekiel ndokuti zvakare; “Inga pese paunoita


zvinhu unenge uchingofunga amai vako.
Kana ukandotenga hembe, unotenga

Page | 89
neyaamai vako. Ukawana nyama yakachipa
unotenga neyaamai vako. Ndine vakadzi
vaviri here kana kuti amai vako ndivo
vanotora nzvimbo yemwana muno mumba?”

Farirai akadzungudza ndokuti; “Saka ndiyo


nyaya yaungatotsamwira kwevhiki yese
iyoyi? Unoda kuti ndikanganwe amai vangu?
Zvinoitika sei izvozvo? Unoda kuti ndirarame
sekunge amai vangu vakafa? Zvakambobvepi
izvi zvauri kutaura mazuvano?
Handichakunzwisisiwo ini.”

“Inini handina amai handiti?” Ezekiel akadaro.

“Nekuti zvaita sei? Inga wakandovaona pa


weekend vakatokubvumidza kusiyana ne
anniversary yedu.” Farirai akatsutsumwa.

“Zvinhu zvaunokoshesa muupenyuka iwewe,


ndezvekupenga chaiko. Anyway, nekuda
kwekuoma kwako musoro, ngatiregei

Page | 90
kutaurirana kwacho nekuti hapana
kunzwisisana kwatichaita.” Ezekiel akadaro
inzwi rakwira.

Farirai akadzungudza achibata musoro


ndokuti; “Uri kumboda kuti ndiite seiko
nhai?”

“Ndinoda kuti utengere amai vako zvese


zvamunoronga kumba kwenyu. Muitirane
zvese zvamunoda, zvamunogara
muchironga. Asi hauzviite nemari yangu.
Chete.” Ezekiel akadaro.
Akabaya baya nhare yake ndokufonera
mukoma wake Gabriel, ndokufamba
achienda panze achisiya Farirai akashama
muromo.
Farirai akandozvivharira mumba make
mokurara ndokuyeredza misodzi yeshungu
dzekusaziva zvekuita. Akange achinzwa
seakange ataura nemumwe Ezekiel Mashiri
asiri murume wake. Ainzwa kunge wake

Page | 91
chaiye akange asiye aive mumba mavo
mazuva aya.

Akasimuka ndokundogeza kumeso kwake


ndokumbogara achizvidzikamisa kuti
asarambe achichema. Paakaona
asingachabudi misodzi, akabva afonera
munin’ina wake Tarisai.

“Nhai Tary, pawakataura nyaya yekuti Eze


anogona kungofuma asingachada zve
marriage neni, wakange waonei?” Farirai
akabvunza paakangonzwa inzwi remunin’ina
wake.

Tarisai akamboramba akanyarara ndokuzoti;


“Maswera sei sisi Farie? Ko zvaita sei nhai?
Kwakanaka here?”

“Pindura zvandabvunza kani.” Farirai


akadaro.

Page | 92
Tarisai ndokuti; “Nothing much, asi kuti kana
vachitaura vanoita sekudemba things that
you don’t have mumba menyu. Vanotaura
kunge vanenge vachida kuti ndikuudzei kuti
mutsvage basa kana kuitawo some business
rinounza mari mumba menyu. Vanotaura
sevanoremerwa nezvinoda mari mumba
menyu.”

“Ndozvaakataura here kana kuti ndiwe uri


kumufungira kudaro?” Farirai akabvunza
asina mufaro.

“That’s where the problem is, sisi Farie. Kana


ndikatanga nyaya yacho muripo vanoivhara
vhara kuti tisataura nezvazvo. Ndinenge
ndichida kuti vataure vega, muone zvichibva
mumuromo mavo musazonditi ndinotaura
zvemusoro wangu. Asi havatode,
vanonzvenga nzvenga. Chiiko chaita
mubvunze?” Tarisai akapedzisira
nemubvunzo.

Page | 93
“Kuda hangu kungoziva.” Farirai akadaro.

“Ko madii kutaurirana manyatsonzwa


zvaanoda nhai sisi Farie?” Tarisai akabvunza.

Farirai akaseka seka ndokuti; “Haaa iwe,


hapana nyaya kani.”

“Are you sure sisi Farie? Hamusati mandiudza


kuti sei bamukuru Eze vasina kuuya kumba
kwedu paye paAnniversary yenyu. Suddenly
your husband just disappeared,
mukatinyepera kuti maiziva kwavaive imi
mainyatsoratidza kuti you were very worried
nekusaziva kuti varipi.” Tarisai
akambonyarara asi Farirai akaramba
akanyarara.

Tarisai ndokuti zvakare; “Munganyepera


vamwe vese asi inini ndinokuzivai.
Remember you are one of the first people

Page | 94
vandakatanga kuona pandakazvarwa. After
seeing mum and nurses, I saw you, so I know
you too much vakoma vangu. Inga vamwe
vanototi tiri ma twins, handingatadze kuziva
kuti my twin is lying.” Tarisai akapedzisira
achidaro, vese ndokumboseka.

Farirai akatura befu achifunga kuti otaura kuti


chii, ndokuzoti; “I think Eze ane small house,
I am not sure though. Ndakangoona some
chats vachiita appointment, asi number is
saved as Builder Jay. Angove rough panyaya
dzese kunge ndave kumusvota, ndikabvunza
haana zvine maturo zvaanotaura.”

“Munoda kuti ndimbovashanyira here


nditaure navo?” Tarisai akabvunza.

“No, no no. No please. Tikadaro anozoshaya


nyadzi. Handidi kuti azive kuti ndozvatataura
kana kuti ndozvandiri kumufungira. Let me
do it my own way. Kana ndikatadza

Page | 95
kunzwisisana naye ndingatoudza mukoma
wake kuti ataure naye. Kana akaziva kuti my
family knows his shenanigans anozoshaya
nyadzi. Ngatiregei aite hide and seek
zviperere kuseri ikoko.” Farirai akadaro.

Tarisai akamboramba akanyarara ndokuzoti;


“Muri kutyei sisi Farie? Akakurovai here?”
“Wazviwana kupi izvozvo? Ndosaka ndange
ndisingade kutaura zvakawanda. You have an
overactive mind. I said we are fine. Just a
small misunderstanding, tiri kugadzirisana.”
Farirai akadaro neinzwi ravakanzwa vese kuti
rainhuwa nhema. Inzwi racho raive
nemitsetse yemisodzi. Vese vakabva
vanyaradza nhare dzavo.

Farirai akatarisa nepahwindo akaona Ezekiel


achakamira panze achitaura panhare yake.
Akazvikanda pamubhedha ndokushanyarika
kusvika kwaedza pfungwa dzakamuwandira.

Page | 96
CHITSAUKO 06

P aSvondo yakatevera, mumba maEzekiel


naFarirai Mashiri makange mopisa.
Vakange vogara semaroja maviri emarudzi
akasiyana. Mukadzi ndiye akanyanya
kuremerwa neimba iyi.

Haana kunge afungira kuti muchato wake


waizovava kusvika pakadai. Kwemakore ese
akange apfuura, vairarama zvakanaka vari
vaviri, saka apa pavakapesana, akashaya
pekubata, akapererwa. Farirai akange onzwa
sekuti upenyu hwake hwaguma.

Musi uyu masikati, akaenda kudhorobha


kundoona vatete vake, Marita. Vatete
vakafara kuona mwana wehanzvadzi yavo
achivashanyira.

“Ko seiko wakangoneta neta kudai nhasi nhai


Farie? Uri kurwara here?” Vatete Marita

Page | 97
vakabvunza vaona kuti nyaya zhinji
vaingotaura vega.

“Nhai tete, makambotaura naEze?” Farirai


akabvunza achizengurira zvaizotaurwa
navatete vake.

“Aiwa. Pane zvandinofanira kutaura naye


here?” Vatete vakabvunza.

“Hameno, handizive. Ndangofunga kuti kuda


pane zvaakakuudzai kuti mundiudze.” Farirai
akadaro.

“Chitotaura iwewe nyaya yacho yese. Chero


iye akazotaura ndinenge ndave kuziva.”
Vatete vakadaro.

Farirai akambofunga, ndokuzoti; “Eze ave


kundivenga. Haachandida.”

Vatete Marita vakaseka vakatarisa mwana


wehanzvadzi yavo, ndokuona azara misodzi
mumaziso ndokubva vaswedera padyo naye.
Page | 98
“Inga utori serious nhai Farie. Hanziiko
nababamudiki vangu?” Vatete Marita
vakabvunza.

“Akangotanga kupopota achiti ndinonyanya


kushanyira mhamha. Hanzi usavape chinhu,
usavashanyira. Nhai tete zvinoitawo here
izvozvo? Nhai munhu angandipe mutemo
wekuti ndisandoona amai vangu?” Farirai
akatsanangura.

Vatete vakambofunga zvakange zvataurwa


ndokuzoti; “Une chokwadi kuti ndozvaaireva
here? Makanyatsonzwanana here kuti
airevei?”

Farirai akapukuta kumeso ndokuti;


“Angagorevei? Akati unogara
uchingotengera amai vako zvinhu,
handichada nemari yangu.”

“Ndinofunga hauna kumunzwisisa. Kana


zvauri kutaura ariwo mapinduriro awakaita
ndosaka mave kutotadza kuramba
Page | 99
muchitaura nyaya iyi.” Vatete Marita
vakadaro.

Farirai akapukuta maziso ndokuti; “Muri kuti


chii tete?”

“Ndiri kuti haana kumbokurambidza kuda


amai vako. Asi ari kuti hurongwa hwemumba
menyu haufanire kumira nekuti une
zvaunoda kuitira amai vako. Chete.” Vatete
vakatsanangura.

“Saka handifanire kushanyira mhamha?”


Farirai akabvunza ave kugumbukira vatete
vake.

Vatete vakambomutarisa ndokuzoti; “Zvinhu


zvawakatora nechikwereti muno kuti undopa
amai vako, uchabhadhara riini?”

“Handisati ndave nemari tete.” Farirai


akadaro.

Page | 100
“Was it necessary kuvatengera zvese zviya?
Vakange vashama here? Ivo vega amai vako
havagone kuzvitengera underwear yavanoda
kupfeka?” Vatete vakabvunza zvakare.

“Zvakaipei kuti ndivatengere? Nguva dzese


ndiTary aingovatengera, ko iniwo?” Farirai
akabvunza achishungurudzika.

“Ndozvandiri kutauraka nhai mainini. Uri


kuitirei competition naTary yekutengera amai
venyu zvakafanana, kana zvakaenzana iwewe
usina mari yacho? Kana muchida kutengera
amai venyu zvinhu zve$100, musaite 50-50,
itai chero $20 - $80 nekuti $20 yacho
ndoyaunenge unayo. Amai vako vanofanira
kuzvinzwisisa izvozvo. Asi nekuti iwewe
unoshanda nebhajeti yaamai neyaTary, mese
mave kuremedza Eze.” Vatete vakadaro.

Farirai akadzungudza ndokuti; “Saka tete


muri kutsigira Eze kuti vabereki
havachengetwe? Saka nyaya iyoyo ndiyo
inoita kuti munhu andinyime mari zvachose?
Page | 101
Asadya mumba kana ndabika? Agorara mu
guest bedroom? Saka he is justified to do all
that wickedness in our marriage?”

“Yuwii, yuwii, inga panotove nenyaya hombe


nhai mainini. Chiiko chamakatadzirana chave
kutokurambanisai? Muchato watogurikaka
uyu nhai?” Vatete vakadaro vabata
muchiuno.

“Mazvionaka kuti hazviite? Eze ari kundiitira


utsinye tete.” Farirai akademba.

“Handifunge kuti inyaya yekuti usachengeta


amai vako. Asi kuti matorere amuri kuzviita
mese akatosiyana. Dai
wambonyatsomuterera kana achitaura.”
Vatete vakayambira.

“Ndakamuterera tete, akabva atoti hanzi ko


iniwo handina amai here. Saka anoda kuti
zvese zvatatengera mhamha, titengerewo
amai vake vari kwaMutoko kwavo uko
zvinoita? Tovatengera mota yekuendesa
Page | 102
kumunda nekurwizi nekugarden
yemushandirapamwe? Ndizvo here?” Farirai
akabvunza.

Vatete vakadzungudza ndokuti;


“Ndozvavakati vanoda here? Vakamboti
nditengerei mota? Pawakataura navo
amwene vako vakati muvatengerewo chii
chavanoda vari kumusha kwavo?”

Farirai akakwidza mapipito ndokuti;


“Hameno, handina kumbotaura navo ini.”

“Ndozvandiri kureva nhai Farie. Ndozviri


kureva murume wako. Kana matengera amai
vako mota yavanoshandisa, chitengeraiwo
mai vake bhara ravanoendesa kwese
kuruzevha kwauri kutaura ikoko. Murume
wako is simply saying let’s put the same
energy kunana amai vedu vese.” Vatete
Marita vakadaro.

Farirai akange odikitira ndokuzoti; “This


month handisi kutoenda kundoona mhamha
Page | 103
ini. NdiTary ari kufanira kutenga groceries,
saka inini ndoenda pasina chandakabata
zvachose here? Ndinotoona kuti kana ari Tary
anotenga zvinenge zvakawandisa, zvangu
inini ndezvekungotiwo ndatenga asi
handizvo zvavanoda chaizvo. Tary anoudzwa
quantities and brands tete, inini vanoti tenga
zvaunokwanisa. Kunge kuramwira, kunge
vanongozorasa kana kugovera some beggars
muraini. Ivo mhamha vagara vane zvekutaura
zvakawanda pamusoro peupenyu hwangu
saka ndodii?”

“Regera competition nemunin’na wako.


Tarisai is a self made business woman, ane
mari yake yakatowanda kupinda yemurume
wake zvatinoziva tese. Chero vakadaro vane
several sources of income. Kwenyu kune
salary imwe chete isingachinje, amai vako
vanofanira kunzwisisa izvozvo.” Vatete
vakadaro.

Farirai akadzungudza musoro ndokutadza


kutaura. Muchitoro makange mapinda
Page | 104
munhu akananga mukahofisi mavakange
vakagara.

“Titambireka nhai Tongoona, wandiunzira


huku dzangu?” Vatete Marita vakadaro
vachisimuka.

“Tambirai mother, nhasi ndauya nezvese,


chicken and fish.” Tongoona akadaro
ndokuvhura cooler box rake.

Akatarisana naFarirai vese ndokuseka


vachikwazisana, “Muzukuru Farie, ndiwe
zvako? Heey, ndafara kukuona wena.”

“Sekuru Tongo, ko zvamusingachinje nhai.


Muchiri zvamange muri tiri Upper 6th nhai.”
Farirai akadaro achiseka.

Tongoona akaseka achidhonza Farirai ruoko


vachifara vese. Vatete Marita ndokuti; “Ko
munozivana?”

Page | 105
“Takadzidza tese kuSt Mathias naTongoona
uyu. Class yedu yese yaimuti sekuru Tongo…”
Farirai akadaro ndokumboseka ega.

“Aiwa mainditi ‘souru’. Muzaya, muzaya,


nhasi unototengawo drink. Please support
business rasouru vako. Ndine nyama dzese,
chicken, fish, pork, hwai, mbudzi, zvese,
handina nyama yemunhu chete chete.”
Tongoona akadaro vese ndokumboseka.

“Ndipe phone number yako Farie, timbozoita


nyaya. Hausi paGroup rechikoroka iwewe.”
Tongoona akadaro akabata nhare yake,
Farirai ndokudaidzira nhamba dzake
dzenhare.
Farirai akasimuka ndokutarisa zvaive mu
cooler box raTongoona.

“Inga Farie wanaka chaizvo, kuita chimhamha


chaicho. Inga nguva yafamba.” Tongoona
akadaro akabata ruoko rwaFarirai.

Page | 106
Pamusuwo pakagogodzwa vatete Marita
ndokudaidzira kuti munhu apinde.

“Ko ndimi babamudiki? Pindai zvenyu.”


Vatete Marita vatarisana naEzekiel Mashiri.

Ezekiel akatarisa Farirai, ndokutarisa maoko


akange akabatana. Ndokuti kuna vatete
Marita; “Sorry, dai ndafona ndisati ndauya.
Handina kuziva kuti mune vaenzi.” Akabva
atendeuka ndokubuda oenda asina
kucheuka.
Vatatu vakasara vakanyarara, kunyararisa.

Tongoona akasimudza cooler box rake


ndokuti; “Ndiri kusiya huku ngani nhasi nhai
mother? Nefish ngani? Ndakamirirwa town
yese nhasi ndave kuenda.”
Vatete Marita vakasarudza zvavaida,
Tongoona ndokuenda.

“Ko murume wako hanziiko? Mange


mataurirana kuti muchasangana pano?”
Vatete Marita vakabvunza.
Page | 107
Farirai akadzungudza akatarisa kumusuwo
kwakange kwabuda naEze.

“Saka kungopinda odongorera ndokudiiko?”


Vatete Marita vakadaro vachishaya
zvekutaura.

Farirai akasimuka ndokuti; “Ndave kuenda


tete, ndozokuonai mumwe musi. Regai
ndimbondotaura naEzekiel nhasi futi
nezvamandibatsira nazvo kunzwisisa zviri
kumunetsa. Kana ndatadza
ndichazokukumbiraiwo muzotigadzirisa.
Please tete musaudze mhamha naTary
zvatataura nhasi.”

“Zvakanakai mainini. Gadzirisa imba yako


isati yaparara.” Vatete vakadaro.
Vakabva vaparadzana.

Musi uyu Ezekiel akakurumidza kuuya


kumba, akasvika ndokutora remote yeTv
ndokurara pasofa akaibata.

Page | 108
Farirai akange akagara pasofa raive padivi
akabata nhare yake achiverenga zvaive
paFacebook.

Vakaita nguva vakanyararisana mumwe


nemumwe achiita zvaaiita ega.

“So uchiri kuitei pano? Unodei pandiri? You


have no shame handiti?” Ezekiel akadaro
akatarisa mudzimai wake.

Farirai akavhiringika ndokuramba


akanyarara, Ezekiel akakwidza inzwi ndokuti;
“Unoswera uchindinyangadza as if you care
about this marriage yet une dzako
dzaunotsikisa mazuvano?”

“What are you talking about? Uri kutaura


neni here? Ko ndafunga kuti pane wauri
kutaura naye pafoni yako iyo yausingasiyane
nayo.” Farirai akadaro.

Page | 109
“Tiri vanganiko mumba muno? Handiti tiri
vaviri chete? Ndiri kutaura newe.” Ezekiel
akadaro nehasha.

Farirai akatarisa murume akaterera, Ezekiel


ndokuti; “Who would have guessed kuti une
boyfriend? Izvo munoonana mukachitoro
katete vako masikati machena?”

Farirai akashama muromo nekushamisika,


akambopererwa ndokuzoti; “Tongoona
wandaidzidza naye kuHigh School
haumuzive? Souru Tongo? Ndosaka
wangodongorera ukatiza usina kuita
zvawange wafambira kuna tete? Saka
unofunga kuti ndiri pfambi inini?”

“Ndogozivei? Ndakusiya pano pamba uchiti


hauna mari. Then ndozokuona une murume
wandisingazive in town. Apa hauna
kumbondiudza kuti uchapinda mu town.
What is cheating by the way?” Ezekiel
akabvunza agara pasi akatarisa mudzimai
wake.
Page | 110
“Inga uri kutoshingirira nyaya isina basa
nhaiwe. Wagotizei kana wange
usingamuzive? Dai wamira taita introduction
yakakwana wanyatsoziva kuti ndiani. Dai
wamira ndamuudza kuti you are my
husband.” Farirai akadaro neshungu.

Ezekiel akadzungudza ndokuti; “Mazuvano


varume vevanhu ndovari kudanana
nevakadzi vevanhu. Introduction haina kana
basa, munenge muchizivana.”

“Sezvauri kuita iwewe murume wemunhu,


nemukadzi wemunhu Builder Jay ka? Mese
muri married asi hamusi kusiyana every lunch
hour. Uchabatwa nemurume wake
ukapondwa.” Farirai akadaro.
Ezekiel akambonyarara, akange asina
kutarisira mashoko akataurika apa.

Farirai akaseka neshungu ndokuti; “Unoti


handizive kuti rough yese yauri kuita iri
kukonzerwa nemukadzi wauri kurara naye
Page | 111
mazuvano? Nyangwe dai ndakakutadzira, dai
pasina wetatu taitaurirana zvakanaka instead
of kunditsvagira nyaya dzisina nematuro ese.
Kana munhu atanga chipfambi mumba
anofunga kuti mumwe wake ipfambiwo.
Ndikwanire apa Ezekiel.”

Ezekiel akaedza kupindura asi Farirai akabva


ati; “At least you still have some shame within
you. You are trying to feel better, to feel less
guilty nekuzvinyepera kuti tese tiri kuhuraka?
Sorry Eze, iwewe ndiwe mhombwe wega
pano. Wanga uchitsvaga pekundibatira kuti
ugoti ndakutadzira zvinokodzera kuti
undirambe handiti? I still respect you as my
husband, nekuti waratidza kuti chipfambi
chako chiri kukushungurudza.”

Ezekiel akashingirira ndokuti; “Uri kutaura


zvekupenga iwewe. Ndosaka ndichidzoka
warara everyday.”

“Kana iwewe wega wave kutobvuma nhema


dzaunozvinyepera kuti uri kutizei pamba
Page | 112
pako. Wange uchida kuona tete Marita,
uende futi mangwana undovaudza zvawange
wafambira. Enda unondirevera, kuda
tingabatsirika mumba muno. Kuda
vangandokuonesa pamhosva dzese
dzaunondipomera.” Farirai akapopota.

Ezekiel akashama n’ai ndokuti; “Ndakaneta


inini, handidi zvekutaura.”

“Kana neni ndaneta ne marriage inenge


mahumbwe pamba pano. Gadzirisa zviri
kunetsa pano before it’s too late. Ndanetawo
ini kungogara ndichifunga kuti … kuti
nhasi…” Farirai akahwihwidza kuchema
misodzi.
“Kuti nhasi mhosva yangu ndeyei. Kuti nhasi
ndakutadzira chii? Ndaneta kungopiwa
punishment yenyaya dzandisiri kuziva kuti
ndadii, ndodii. Ndakakutadzira chiiko
chisingaregerereki.”

Akambonyarara kutaura asi misodzi


yaingoyerera asingapukute akatarisa
Page | 113
murume; “Zviri kutowedzera. Nhasi wafunga
kundipa mhosva yehupombwe? Kuti vanhu
vese vaone kuti I am a very bad wife. Who do
you want to convince? Why are you such a
coward? Chingobuda pachena kuti hauchada
this marriage, no one cares about your
reasons.”

Farirai akasimuka ondorara achisiya Ezekiel


ari mupfungwa dzake ega.

Page | 114
CHITSAUKO 07

“U ndisiirewo
kundogadzirwa
mari,
musoro.”
ndinoda
Farirai
akadaro akatarisa murume wake akange
ogadzirira kubuda.

“Handina mari.” Ezekiel akadaro achisunga


tayi yake asina kutarisa mudzimai.

Farirai akambofemedzeka ndokuzoti; “Saka


ndoita sei? Musoro wangu hauchaita.”

“Kana usina mari yekugadzira musoro


unogerazve nhai.” Ezekiel akadaro.

“You are not serious, right?” Farirai akadaro


ave kugumbuka.

“Saka wange uchida kundobhadhara nei iwe


usina mari yacho? Nemari yani?” Ezekiel
akadaro achisvotesa.

Page | 115
“Ndaisimbogadzirwa musoro nemari yani all
these years dzatagara tese pano?” Farirai
akadaro inzwi rakwira.

“That’s the error I am correcting.” Ezekiel


akadaro, mukadzi akagomera.

Ezekiel ndokuti; “Vakadzi vandinoshanda


navo kubasa uko vanogera musoro, asi
vanayo mari yavo yekutogadzirwa even daily.
Asi havana nguva yekugara vachiita zvisina
basa. Asi iwewe unomukira kurara unotoita
zvekugadzirwa musoro by ginya.
Unogadzirwa musoro kuti uonekwe nani?
Kupi? Kuti amai vako vandoona kuti unogona
kudya mari yabhambi wekwaMashiri? Iko this
month hamusati mashanya wani
Domboshava? Kunge ritual yehurombwa
inoitwa mwedzi wega wega.”

“Ezekiel, asi unondishura? Zviri kubva kupi


zvauri kutaura? Inga upenyu hwese
taingoenda ku salon tese? Uri kutukirei amai
vangu? Vakambokukumbira mari here?
Page | 116
Chambochinja pano chii?” Farirai akabvunza
achishamisika nekurwadziwa zvese.
“Chachinja ndechekuti mari yakapera. Ipapa
unoda mari yekombi, neyelunch,
neyekuzogadzirwa musoro wacho, aah
handina wena.” Ezekiel akadaro asina hanya.

Farirai akambofunga ndokuzoti; “Nhasi


handisi kuenda kundogadzirwa ku town.
Ndiri kundogadzirwa ku salon kwamai Ano
vemuno muWaterfalls. Vaye vekukona uko
vane salon pamba pavo mugaraji mavo.
Ndichavati vagouya kubasa kwako kuzotora
mari yavo.”

“Asi unopenga. Inombove mariiko


kugadzirwa musoro kwacho?” Ezekiel
akabvunza achibudisa chikwama muhomwe.

“$30 inokwana.” Farirai akadaro achipeta


mbatya dzakange dzakarembera
muhodhiropu mavo.

Page | 117
Ezekiel akabudisa mari yakange yataurwa
ndokutambidza mudzimai achiridza tsamwa
ndokubuda.

Farirai akatambira mari iya ndokugara


pamubhedha akaitarisa. Akafunga mashoko
ese avakange vagachidzana kuti mari iyi
izobuda moyo wake ukarwadza. Handizvo
zvaaida mumba make. Ezekiel Mashiri
waakange achata naye akange ari sahwira
wake aitaura naye zvakanaka mukuwana
nemukushaya. Ko uyu akange abvepiwo.

Masikati ezuva iri, Farirai akaenda kumba


kwamai Ano ondogadzirwa musoro.
Akawana muine vamwe vakadzi vatatu
vakange vakagaramo vachigadzirwawo
zvakasiyana siyana. Akavakwazisa vese
ndokutaura nemuruki mai Ano, zvaaida
kurukwa musi uyu.
Mai Ano vakamuratidza pekugara
ndokutanga kumuruka.

Page | 118
Vakatarisa mumwe wemadzimai ndokuti;
“Iwe Connie wange uchiti ndinonyepa here?
Ndakatoona kuti mumba macho
hamuchagariki wena. Pese pandaida
kutumira mari kuhama yangu yaizoenda
tamborovana. Ndikati ko handina maoko
here, ndikavhura salon yangu. Zvino ivo baba
ndovane salary inouya kamwe chete
pamwedzi. Muno mangu everyday ndinobata
kamari kangu, ndovave kutondikumbira.
Varume zvavanoita so.”

Connie akaseka ndokuti; “Munomupa asi


muchimuyeuchidza kuti waimbodada nemari
yako asi waifunga kuti mari inoramba
munhu.” Madzimai ese akaseka.

Connie ndokuti; “Asi chii chinoita kuti varume


varambe kupawo support kuhama
dzevakadzi vavo?”

Mai Ano vakaseka ndokuti; “Kunyima chaiko.”

Page | 119
Farirai akadzungudza ndokuti; “I think
murume wako treats hama dzako
zvichienderana nezvaunomuudza. Kana
uchipota uchinyeya hama dzako, uchivaseka
nekuvashora uchimuudza, musi waunozoti
kuri kudiwa mari, anoramba.”

Connie akatarisa Farirai ndokuti; “Saka muri


kuti imhosva yemukadzi akaroorwa kana
murume wake asingafungewo amai
vemukadzi wake?”

“Chaizvo, inini my husband knows kuti


hapana chatinodya mumba medu amai
vangu vasina. Handitenge hembe yangu
amai vangu vasina. Saka anotoitira amai
vangu sezvandinoda.” Farirai akadaro.

Mai Ano vakarembedza miromo


vachifungisisa zvaimbove mumba mavo
ndokuti; “Ko kana akaramba nemari yake
unomuita sei? Sekuru vangu inini, baba
vamhamha, vakashaya. Vazukuru vese tikanzi
tibvise mari, baba Ano akaramba zvachose.
Page | 120
Ndikakwereta Connie uyu mari yekuenda
nekudzoka neyaifanira kundobviswa
kunhamo semuzukuru. Kutodzoka
kugarisana sepasina chaitika wena. Haana
kana kubvunza kuti kwaive sei kana kuti
wakafamba sei, nemari ipi.”

“Inga zvakaoma. Saka vanenge vachiti


munonzwa sei kana musingaite zvese mese
nhai?” Farirai akademba.

“Kwavo kwakazorwariwa namai vake,


ndikarambawo ndakanyarara. Munhu
kutondimudhurira ndichizvidyira sadza mai
vake vari paokusijeni, aah ndini ndadii?
Handiti ndiye akatanga kuti munhu nemunhu
nehama dzake?” Mai Ano vakadaro
madzimai ese ndokuseka zvaive neruzha.

Mwana aive kumusana kwamai Tsungayi


akachema nekuvhunduka. Vakange
vapedzwa kugadzirwa musoro ndokuramba
vakagaramo vonakidzwa nenyaya dzemu
salon.
Page | 121
Mai Ano vakambonyarara Tsungayi
achinyaradzwa, ndokuzoti; “Kwave kuzonditi,
nhai ku salon kwako handingawanewo chi50?
Ko haubvunzewo kuti amai vari sei?”

Mai Ano vakarondedzera; “Ndikati ko ndinei


nezvekumba kwenyu? Ko wekwenyu
akandibatawo maoko pakashaya sekuru
vangu ndiani? Munhu bwai bwai. Ndikati tave
mumereji manje bhururu, ngatigare.”

“Asi zvinorwadza hazvo. Makange


musingafanire kutsiva maifanira
kungomuudza zvakanaka.” Farirai akadaro.

Connie akatarisa Farirai akasunga huma


ndokuti; “Ukataura zvakanaka
haunzikweweee muchi organisation
chamunoti mereji ichi. Munoda force ne
rough unobva wagadzirirwa nyaya dzako
faster faster.” Mamwe madzimai akabvumira
achiseka nekutaura vese nguva imwe chete.

Page | 122
Mai Ano ndokuti; “Pakazoitwa manyaradzo,
haa, husbae vakaita muzukuru chaiye ane
rudo. Ndivo vakaronga zvese zvaida mari
nezvaida simba, kushanda chaiko. Ndikati
message sent and delivered. Asi maricho
angu pano handisiyi. Kugara uchikumbira
mari hakuite. Mari yekupiwa wambodemba
nekutsanangura inorwadza.”

Farirai akanyemwerera ndokuti; “Asi dzimwe


nhamo tisu tinozvipa isusu vakadzi. Hakuna
murume anongotanga kukunyima pasina
zvawaita. It’s only that we live in denial
ndosaka….”

Connie akaridza tsamwa ndokuti; “Munhu


anogona kungoneta newe agokunyima
mhani. Kana kuti munoita hurongwa
hwakasiyana nemari imwe chete, agoramba
kukupa iwewe. Kana usina yako unoita sei?”

Hapana akapindura Connie ndokuti; “Izvozvo


zvekupa vakadzi mhosva panyaya dzese
dzinoitika mumba ndozvinoita kuti abuse
Page | 123
isapera. Zvinoitikisa kuti munhu can illtreat
you pasina zvawamutadzira, zviriko chaizvo.
An abuser nemuroyi vakafanana, havadi
reason kuti vakuitire zvakaipa, the only
reason yavanayo ndeyekuti uri mupenyu,
chete.”

Mai Tsungayi vakange voyamwisa mwana


vakabva vati; “Ichokwadi ichocho.”

Farirai akashama n’ai achiti; “Chete zvinoitika


mu marriage hapana angazvigona.”
Vese vakambonyarara kwekanguva.

Connie akazoti; “Nyaya dzangu dziya mai


Ano, zvave nane. KuPrayer Mountain kuya
kuri kundibatsira wena. Ndakakuudzaka kuti
pane madzimai aye, the sisters,
vandakangosanganawo navo mugomo
vakandidzidzisa kunamata ndichishandisa
Bible Verses. Haa, denga rinopindura
shamwari.”

Page | 124
Connie akamboseka kwaive nekurwadziwa
ndokuti; “Ndinoona nehasha dzandave
kuitirwa namai vangu uyezve business rangu
rave kunyatsofamba wena. Haaa
ndakambotambura wena. Mwana wangu
akatosvitsa 6 months ari mupenyu nezuro
ufunge. It’s a miracle nekuti ndaiita ma
miscarriages chete.”

Mai Ano vakatarisa Connie nemaziso ainzwa


tsitsi ndokuti; “Zvange zvakaoma wena. Asi
kudenga kuna Mwari anosunungura
nyangwe pakasungwa sei. Paya waiti
Madzimai vekuMasowe vaye vakati sei amai
vako vaikuitira izvozvo?”

“Kungondivenga havo chaiko. Vakandiitira


mhiko yezvinhu zvavo zvekumusha kwavo.
Saka hanzi pese pandinochema kana
kushungurudzika, ndokuti ivo nevamwe vana
vavo vavanofarira vabudirire.” Connie
akadaro.

Page | 125
Vese vakange vamuterera ndokubva ati;
“Hapana wena chandaibata chikabudirira.
Ndaingoti pandashanda handibhadharwi.
Apa mumba kana kubata nhumbu, asi
kutonzi muroyi anozvidyira vana
kwandakaroorwa. Kudoedzawo business
zvairamba. Pandaitengesa miriwo nemichero
yaiora yese kusvika ndarasa. Haa
ndakambochema wena. Ko amai vangu
kushamisika kwavakaita pavakaona nhumbu
yangu yasvika 8 months.”

Farirai akange akaterera zvese akati; “Handisi


kunzwisisa nyaya yako Connie. Uri kuti
nhamo dzese dzaunotaura idzi dzaikonzerwa
naamai vako chaivo chaivo?”

“Ehe zvavo, ndivo amai vangu vaindiroya.”


Connie akadaro.

“Amai here kana kuti stepmother? Kana kuti


vamwe mainini vekurudzi rwekwaamai
vako?” Farirai akabvunza zvakare.

Page | 126
“Inga ndiri kuti amai vangu chaivo
vakandibereka. Ivo chaivo ve 9 months
dzembiri.” Connie akadaro ave kusvotwa.

Farirai akadzungudza achisimudza maoko


ndokuti; “Haunyare here? Hakuna amai
vakatakura mwana kwe 9 months dzese
vanoita zvakadaro. Sei kufumura amai vako
uchivanyepera kudaro, vakakutadzirei?”
Connie akafinyama ndokuti; “Asi unovaziva
mai vangu?”

“Saka kana ndisingavazive ndozvinoita kuti


vave muroyi? Sei muchifarisa kutaura pane
vanhu nyaya dzenhema kudai? Ndosaka
zvichinzi muma salon munenge makazara
vakadzi vanongotaura twusina maturo
chokwadi. Maporofita enyu aya amunotevera
achakuparadzanisai navabereki, mukatanda
botso. Hakuna amai vanoroya mwana
wavakabereka usanyeperwa.” Farirai akadaro
inzwi rakwira.

Page | 127
Connie akaseka achigomera ndokuti;
“Wakaudzwaka kuti unotanda botso kana
ukaziva kuti vari kukonzera nhamo yakoka?
Ndopari kutohwanda nanamai vakawanda
ipapo vachiroya vana vavo, and go scot-free.
Handina kumbovatuka kana kuvabvunza ini,
ndakangorwa navo mumweya sezvavaindiita.
Kana vange vasingandiroye saka sei
ndakazoita mwana iyezvino? Sei business
rangu rakabudirira pakangofumurwa huroyi
hwavo? Ko hope dzandinorota
vachindipopotera kuti Connie wandikuvadza
siya zvekunamata kunyepa futi?”

“Ummm wakashinga hako,


handingambotaura zvakadaro pamusoro
paamai vangu.” Farirai akadaro.

Connie ndokuti; “Vako havaroyi, kwenyu


munodiwa nanamai venyu. Asi kwedu
hazviko, mai vekukubereka chaivo
vanotokuroya. Vachitoona murume wangu
votodemba kuti zvaariye akabudirira dai

Page | 128
akaroora munin’ina wangu wavanoda. Zvese
zvakaipa vachiti dai zvaitika kwandiri.”

Mai Tsungayi ndokuti; “Inyaya iri very


sensitive yaana amai iyi asikana. Asi variko
zvechokwadi vana amai vanosarudza vana
vavo. Zvimwe zvisiri zvekutomboudzwa
nevemweya asi kutozviona pachena chaipo.
Imimi mai Mashiri hamusati mambonzwa ana
amai vari kuita nhumbu dzevakwasha vavo
here? Kutodanana nemukwasha kutobvisa
mwana wavakazvara pamurume wake.
Munoti zvanyepwa futi?”

Connie akagutsurira ndokuti; “Zvakawandisa


zviri kuitwa nanamai mumisha umu. Usati
kana kwenyu zvisiko worambira vakazviona
kwazviri kuitika zuva rakacheka nyika.”

“Zvinoitika kuti amai vanogona kuda mumwe


mwana kupinda mumwe. Asi vanoedza
kuzvivanza nekuitira vana vavo zvakafanana.”
Farirai akadaro.

Page | 129
Ndokutizve; “Chandiri kuramba kuti amai
vanoroya mwana wavakazvara. Izvozvo
musafarisa asikana, hakuna zvakadaro.”

”Vanomuroya mhani iwe.


Vagotomurombesa, agotambura upenyu
hwese ivo vachifara nevamwe vana
vavanoda. Zviriko mai Mashiri.” Connie
akadaro.

“Ummm handichada kunzwa nyaya yako,


unondiwanisa shamhu yaMwari nekutaura
kwakaipa kudaro pamusoro paamai. Asi
tendeuka iwe, zvauri kufungira amai vako
zvakaipa.” Farirai akadaro.

Connie akaswedera pakange pakagara Farirai


ndokuti; “Hezvo, ndinowanei pakutaura
nezvaamai vangu kwamuri mese vatorwa?
Ndinganyepera amai vangu kuti vaita
zvinotorwadza nekunyadzisa kudai zvisina
kuitika kuti zvadii?”

Page | 130
“Exactly what I am saying. Chinja shamwari
dzako, vanhu vauri kufamba navo vari
kukufurira kutaura zvisina maturo pamusoro
pemubereki wako.” Farirai akadaro.

Connie akanongedza Farirai ndokuti; “Who


died and made you judge of this world? Sei
uchifunga kuti unoziva zvinhu zvese zvese?”

Farirai akaona kuti vakange vave kutukana


ndokuti; “Ko ndagoziva zvimwe zvipi?
Ndangokutsiura chete kuti usafungira amai
vako zvakaipa.”

“Pataura mai Ano kuti kune varume


vasingade kuchengeta hama dzavakadzi
vavo, watizve hakuna zvakadaro. Watoti
mukadzi anoitirwa izvozvo imhosva yake.
Domestic violence unoiziva here iwewe?”
Connie akadaro nehasha dzaive pachena.

Farirai haana kupindura, Connie ndokuti;


“Iyezvino totaura zvatinoziva kuti zviriko

Page | 131
wotizve hakuna amai vakadaro. Unoziva
nezvevarume vese, nanamai vese kubvepi?”

“Tsiurikai vasikana. Majaira zvikwata


zvikwata, zvine hushamwari hwenhema
zvinokurudzira vanhu kuita zvakaipa. This is
real life, hatisi paSocial Media panongonzi
munhu wese ramba murume, tuka amai vako,
rarama uri wega. Tsiurika Connie, amai
havapumhwe huroyi.” Farirai akadaro.

Connie akandomira kumberi kwaFarirai


ndokubva vatarisana ndokubva
amunongedza achiti; “Zvamunoziva zvese ko
zvekumba kwenyu zvakakujambai sei? Busy
kureverera varume vevamwe asi wako ari
kurarana nanebha (neighbor) wako, iwe
wakangoti vavava uchiti hakuna varoyi,
benzi.”

Farirai akabvisa maoko amai Ano vaimuruka


mumusoro make ndokusimuka achiti; “Wati
chii Connie?”

Page | 132
“Ndati zvaunoziva ziva zvedu tese, ko
dzemurume wako apengesana
nemuvakidzani wako uchadzifambira
riiniko?” Connie akataura achidaidzira.

“Iwe Connie iwe, siyana nenyaya iyoyo, zvaita


seiko?” Mai Ano vakadaro hana yorova.
Vakange vozeza kuti vangaparadzirwa
midziyo namakasitoma omarana.

Connie akabata muchiuno ndokuti; “Haiwa


regai tivaudze mai ava vanoziva zvakatinakira
tese tese. Asi vachitorerwa murume
nemwana wechembere yavanoseka nayo.
Hausi huroyi ihwohwo hwekunyepera kuseka
mese, asi vachitoronga kugamuchira mombe
yeumai nemafukidzadumbu kubva
kumurume wako? Rabishi apa.”

Page | 133
Farirai naConnie vakatarisana vese
vachifemedzeka nekudikitira. Connie dzaive
hasha, Farirai dzaive nyadzi nekushamisika.

Connie akatarisa madzimai ese ndokuti; “Inga


mamunzwa wani mukadzi uyu. Inga ati,
‘Ndosaka zvichinzi muma salon munenge
makazara vakadzi vanongotaura twusina
maturo chokwadi.’ Hazvina maturoka kuti
murume wake apengesana nanebha wake?”
Akapedzisira kutaura achiseka.

Akanhonga kabheke kake ndokutarisazve


Farirai ndokuti; “Maziviro aunoita nyaya idzi
dai ariwo aunoita chipfambi chemurume
wako taikuita MP wedu. Wako murume
anorara nemunhu wepa next door penyu asi
hauzvione. Asi busy kuziva kuti mai vangu,
vausati wamboona, vandinoziva kuti
vanondiroya, iwe wovati havaroyi. Kupusa
last number, ndibvirei apa.”

Page | 134
Connie akambomedza mate akange
omudzipa nekutaurisa; “Iko kuzouya ku salon
yepano yamaiti pasi pemuti, zvadii? Inga
ndimi maisitaura ma salon eku upmarket ku
town uko nekumaMall. Kwamunosangana
nama celebrity nevakadzi vemaMinister.
Haichabudaka mari yekudaro, yodyiwa
namudiwa Jeneti, fokoro apa mhani Ms
Know-All.” Akabva afamba ndokubuda
oenda.

Farirai akabata musoro wake achida kuona


pakange pasara kurukwa. Akabva azvikanda
muchigaro. Mai Ano vakaswedera padyo
ndokundopedzisa kuruka.

Makambonyararwa kwenguva, mai Ano


ndokuzoti; “Usatevedzera nyaya
dzemumigwagwa mai Mashiri. Kana iwewe
wakagara kumba kwako uchifara nemurume
wako siyana nezvinotaurwa nevanhu.”

Page | 135
Farirai akatura befu ndokuramba akanyarara
akatsikitsira. Mai Ano vakange vomuruka
vachiita musoro wekusaidzira kuti usumuke
varuke. Vaiita sevari kuruka mwana mudiki
akarara.

Farirai akaedza kupindura asi rurimi


rwakange rwave nechiveve, saka rwakaramba
kutaura. Dai akakwanisa kutaura angadai
akaudza vese vaivemo kuti azviona kuti
vange vachiziva nyaya yataurwa naConnie
uye vange vachibvumirana naye.

Akazopedziswa kurukwa achiita seari kurota


zvinotyisa zvekuguma kwenyika. Zviya
zvinonzi kuchave nekugeda geda kwemeno.

Page | 136
CHITSAUKO 08

F arirai akadzokera kumba achinge


aipepereswa nemhepo. Kana vekuziva
vaakasangana navo vakamukwazisa haana
kuvaona, kuvanzwa kana kuvapindura. Hope
hadzina kana kubata musi uyu, kwakaedza
akagara.

Pazuva rakatevera, apo Ezekiel akange ogeza


kuti aende kubasa, Farirai akavhura nhare
yemurume ndokutsvaga tsvaga zvaaida.
Hapana zvizhinji zvaakaona asi zita rekuti
Builder Jay rakange richimo, pasina mameseji
zvakange zvakadzimwa zvese.

Akatarisa ku call log ndokuona kuti Builder


Jay uyu ariye ega aifonerwa. Vaitaura
kwenguva refu zvekuti nguva shoma yaive
maminitsi gumi, asi vaitaura kana kwemaawa
maviri kunyanya panguva dzeusiku. Ndosaka

Page | 137
Ezekiel akange atama mumba mavairara
vese, aida nguva yekutaura nemunhu wake
ari ega.

Akatarisa mazita ese aive munhare yaEzekiel


uyu waaiziva semurume wake. Akaona kuti
Builder Jay ndiye aive munhu mutsva ega
waakange asingazive. Akatora nhamba iyi
ndokuisa munhare yake. Sekutaura
kwaConnie, Builder Jay aifanira kuve Janet
muvakidzani wake. Hana yakarova
nekurwadziwa nguva ichinonoka kufamba
kuti Ezekiel aende kubasa, iye agosara
achiendawo kwambuya Chauke.

Apo akavhara gedhe Ezekiel achibuda, Farirai


akaenda kumba kwambuya Chauke. Musi
uyu haana kumira pawaya pavaisiita nyaya
nguva zhinji vari, asi akavaendera pamusuwo
pavo.
Mbuya Chauke vakashamisika kuona Farirai
ari pamusuwo pavo achigogodza.

Page | 138
“Pinda mwanangu, kwakanaka here wabva
watenderera kuuya mumba chaimo?” Mbuya
Chauke vakadaro vatungamira
ndokundogara pamasofa vese.

“Ndauya kuzokuonai mhamha, ndaremerwa


ini.” Farirai akadaro ndokubwaira bwaira
misodzi yazara mumaziso.

Mbuya Chauke vakasimuka ndokutora mvura


yekunwa ndokutsveta patafura. Vakamirira
kuti Farirai ataure nyaya yake.

“Mhamha, Ezekiel ane girlfriend… imba


yangu yaparara handichaziva zvekuita.”
Farirai akataura achikakama nekugomera.

Kutaura zvakadai pamusoro peimba yake,


nemurume wake kwaimurwadza
nekumunyadzisa zvakanyanya. Haana
kumbobvira atarisira kuti aizotaura zvakadai

Page | 139
muupenyu hwake. Misodzi yeshungu
nekunyadziswa naEzekiel yakayerera
namatama ake akatadza kuzvidzora.

“Zvaita seiko mai Mashiri mwanangu? Aiteiko


murume wako kuti umufungire zvakadaro?”
Mai Chauke vakabvunza vachiita dzungu.

Vairangarira motikari yaEzekiel Mashiri


ichimira pagedhe pavo nguva dzakawandisa,
ichitora kana kusiya mwanasikana wavo.
Vakatarisa misodzi yaFarirai vakarwadziwa,
vakada kukwana pasi pemasofa avo
nenyadzi. Vakange vasingazive kuti Farirai
aiziva zvipi, uye aida kuti vamubatsire nei.

“Hatichambogara zvakanaka, haachauya


kumba nenguva. Ave kungoshora zvese
zvandinoita, kusanganisira nekushora
nekutuka amai vakandizvara inini zvenyu.
Haachina basa neni.” Farirai akatsanangura.

Page | 140
“Pfambi yacho unoiziva here? Ndeyepi?”
Mbuya Chauke vakabvunza hana ichirova.
Vakabata bata mabhatani edhirezi ravo
rainge yunifomu kuti pachipfuva pavo
pasaonekwa kutakwaira sevakatakura dafi
nekurova kwehana.

Farirai akadzungudza ndokuti; “Handimuzive


ini munhu wacho, asi ndinozviona
nemagariro edu kuti pane waave kudanana
naye.”

Mbuya Chauke vakatura befu ndokuti; “Ko


apindwa neiko mukwasha wandaifarira
nekuchengetana kwamaiita? Ari kutsvaga
mwana here?”

Farirai akadzungudza ndokuti; “Surprisingly


hatisi kutombonetsanirana nyaya yemwana.
Ari kuita kunge akadyiswa zvenyu imi.
Kusemeswa neni, kungosvotwa nazvese
zvataimboita tese kare. Kushaya hanya kana

Page | 141
nemisodzi yangu. Ave kunakidzwa
nekundiona ndisingafare.”

Mbuya Chauke vakabata rushaya ndokuti;


“Ndine urombo mwanangu, Satani apinda
mumba menyu. Kana ndikamuona
ndichamutsiurawo kuti asaparadza upenyu
hwenyu hwamakavaka mese.”

“Handitombode kuti hama dzangu dzizive


kuti ndozvave kuitika mumba mangu. Amai
vangu vangati chii? Ko munin’ina wangu
anotiiwo? Ndinonyarira pai zvangu inini,
Ezekiel andiomesera.” Farirai akademba.

“Varume havagutsikane mwananguwee,


unoshaya kuti vanoda chii. Iwewe uri mukadzi
akanaka chaizvo kumeso nemoyo.
Wakatsiga, une hunhu, uye unobata imba
yako zvinoyemurika, asi murume wako
haazvione. Achazozviona aparadza muchato

Page | 142
wenyu.” Mbuya Chauke vakadaro
vachibwaira bwaira.
Farirai akapukuta kumeso kwake
ndokuramba akanyarara.
Akatarisa nhare yambuya Chauke yaive
patafura ndokufunga zvaaida kuona mairi.
Akatanga kufunga kuti ovakumbira sei kuti
aitarise. Vakange vagara vakanyararisana,
vapedza kutaura nyaya yaakange afambira.

Mbuya Chauke vakatarisa pagedhe pavo


nepahwindo ndokuti; “Rega ndinoona
mukomana anotengesa huni uyu.
Ndinomusiira chikafu nguva dzese.
Ndinodzoka izvozvi.” Vakabva vabuda.

Pavakangovhara musuwo, Farirai akasvetuka


ndokutora nhare yavo, akanyora nhamba
dzaakange awana munhare yemurume wake,
panhare yambuya Chauke. Zvirokwazvo
dzakabudisawo zita rekuti Janet munhare
yaamai vaJanet.

Page | 143
Hana yakarova achiramba achienzanisa
nekuongorora nhamba achidzifananidza.
Akatsveta nhare pasi ndokudzokera kugara
paakange asiiwa ari. Mbuya Chauke vakabva
vangovhura musuwo ndokupinda.

“Mukomana uyu otoita seanopenga izvo


inhamo chete. Anondirwadza mwana uyu
ndakamuona achizvarwa.” Mbuya Chauke
vakataura vachifamba vachienda kukicheni
kwavo.
Vakandobva nendiro ndokutambidza
mukomana akange amira pamusuwo pavo.
Akabva agara pavheranda ndokudya sadza
raakange apiwa.

Farirai akasimuka ndokuti; “Ndave kuenda


mhamha.”

Mbuya Chauke vakambopererwa ndokuti;


“Iyavozve, ko zvadii kuoneka seuri kutiza?”

Page | 144
Farirai haana kupindura, asi akangofamba
ndokunanga kumba kwake.

Akasvika ndokuvhara musuwo ndokuridza


mhere yekurwadziwa nekutya zvakange
zvave upenyu hwake. Aizozvitaura sei
kuhama dzake kuti murume wake akange ave
nemumwe mukadzi?

Akabata nhare yake ndokufonera Ezekiel,


nhare yakarira kusvika yanyarara. Haana kuda
kuedza kufona zvakare nekuti akafunga kuti
akange asina zvekutaura nemurume wake.
Chaaingoda kuchema chete.

Akaramba akatarisa nhare achifunga kuti


murume aizomufonera kuti anzwe kuti aida
chii, asi Ezekiel haana kufona. Farirai
akawedzera kurwadziwa achiona kuti
murume uyu akange asisina basa naye.

Page | 145
Akazotumira meseji yaiti; ‘Saka small house
yako ndiJanet? Builder Jay? Sei wafunga
kudaro kumuchato wedu nhai Eze?
Ndakakutadzira chii?’
Akaona meseji ichiitwa blue tick, akaona
typing asi hakuna mhinduro yakazouya.
Akaedza kufona zvakare asi nhare
yakaratidza kuti yakange yadzimwa.

Farirai akagara mumba mekutandarira


pasofa raiita kuti aone zvaive kugedhe kwavo
nekwambuya Chauke. Akaedza kutamba
nenhare yake achiverenga zvepaSocial Media
asi pfungwa dzakamuwandira akatadza.
Akabva abatirwa nehope akagarapo.

Apo zuva rakanyura, Ezekiel akamisa motikari


pagedhe pana Chauke, Janet ndokuburuka
oenda kumba kwavo. Mbuya Chauke
vakange vakatarisawo mwanasikana wavo
achifamba achipinda mumba mavo.

Page | 146
“Iwe Jeni, siyana nezvauri kuita nemurume
wemunhu usati wanyadziswa!” Mbuya
Chauke vakakwamatata vakatarisa
mwanasikana wavo paakangovhura musuwo
achipinda mumba.

“Ko zvaita sei? Ndadii?” Janet akabvunza


achikanda handbag yake pasofa ndokugara
obvisa shangu dzake.

“Mazuva ese ndaikubvunza kuti seiko wave


kuwirirana naMashiri murume, asi mudzimai
wake usingataudzane naye. Hauna
kundipindura. Uye kuwirirana kwenyu
ndekwemumota nepafoni, hatina
kumbokuonai muchiseka mese pachena
sevavakidzani. Muri mhombwe handiti?
Zvino mudzimai wake ave kuzviziva.” Mbuya
Chauke vakadaro.

Page | 147
Janet akatarisa amai vake achikwenya pasi
petsoka ndokuti; “Manzweiko nhai
mhamha?”

“Unondinyadzisa Jeni iwe. Mai Mashiri auya


pano kuzondidembera kuti murume wake
ane pfambi yaparadza imba yavo.
Unondipireiko shamhu yaMwari
ndichinyararidza munhu ari kuchemedzwa
nemwana wandakazvara inini? Chibva
wasiyana naMashiri mudzimai wake asati
aziva kuti ndiwe mhunzamusha yapinda
mumba make. Ndonyarirepi zvangu inini?”

“Ko anogokuudzai kuti mudii? Atadza


kutaura nemurume wake wacho here?
Ngavapedzerane kumba kwavo ikoko.” Janet
akadaro vese ndokunyarara vaterera
kugogodzwa kwaiitwa pamusuwo pavo.
Mbuya Chauke vakange vakamira mumba
vakandovhura musuwo, Farirai mai Mashiri,
ndokupinda.

Page | 148
Vese vakagara pasi chinyararire. Farirai
aionekwa kufemera pamusoro nehasha
neshungu nekurwadziwa. Akaita nguva
achiedza kutaura asi achitadza.

Pave paya akazoti; “Nhai Janet,


ndakakutadzirei wave kuparadza imba
yangu? Chipfambi rudzii cheku….”

Janet akasimudza ruoko achinyaradza Farirai;


“Ko zvamunoitirana kumba kwenyu zvinei
nesu pano? Makambondiona kumba
kwenyu? Ndiwe Farirai unofanira kunyara,
haunyare kuvinga vanhu vari kumba kwavo
kuzoshambadza kusadiwa kwako nemurume
wako? Haunyare kuzondiudzawo inini
zvangu kuti murume wako ave kusemeswa
newe? Haufanire here kuenda kwatete vako
vandokudzidzisa kuti murume anobatwa sei,
or better still, bvuma kurambwa, hauchadiwa
chibuda muupenyu hwake. Ndimi type

Page | 149
yevakadzi inokonzeresa abuse
muchizvinamira pamusingadiwe.”

“Janet! Janet! Hautaure zvakadaro kune


mumwe mukadzi!” Mai Chauke vakadaro
vachinzwa sevakatsika panopisa. Mashoko
aibuda mumuromo memwana wavo
akavashamisa, uye akavarwadza saivo vaive
mai vaFarirai.

Janet akatarisa amai vake ndokuti; “As it is


now mhamha, mukadzi uyu ndiye anotove
pfambi pa relationship yangu naEze. Ndiye
ari kutotikanganisa achiramba kurambwa. Ko
rudo runomanikidzwa here?”

Mbuya Chauke vakandogara padivi paFarirai


uyo akange ashama muromo akatarisa Janet.
Akange asina kutarisira zvaakandoudzwa.
Akange abva kumba kwake achifunga kuti
Janet aizotya amai vake, agoramba kubvuma
kuti anodanana nemurume wake. Aifunga

Page | 150
kuti Janet achandoti ari kunyeperwa obva
akumbira ruregerero. Dai zvirizvo zvakaitika
zvaizomupa simba rekundobvunzana
newake murume. Asi zvakange zvazotaurika
apa zvakamupedza simba.

Farirai akange abata musoro akatarisa Janet


uyo akange otoita saiye atorerwa murume.

Mbuya Chauke vakandogara padivi paFarirai


ndokumubata ruoko rwake vachiti; “Ndine
urombo mwanangu mai Mashiri. Enda
kumba kwako ndinosara ndichitaura naJanet.
Usasiya imba yako ndapota zvangu. Moyo
wangu haungawane rugare kana imba yako
ikaparadzwa nemwana akabuda mudumbu
mangu. Tiregererewo mai Mashiri
mwanangu.”

Janet akaseka ndokuti; “Nemi mhamha


munatwowo. Sei pamunoswera mese vamwe
tiri kubasa musingamuraire kuti aite

Page | 151
mudzimai wanhasi? Muudzei kuti atsvage
zvekubata bata aite mari yakewo kwete
kumirira kungoombera seasina pfungwa.”

Janet akatarisa Farirai akafinyama ndokuti;


“Nezera rako iri watofanana naamai vangu
vachembera vave kuda kuchengetwa. Mai
vangu vari nane vane vana. Ko iwe? What
have you to show in this life? Hauzvare hauna
mwana, hauna imba, hauende kubasa kana
kutengesa masweets haugone. Saka unoti
Eze anokudii? Wakafanana ne wardrobe
yamunywa nemujuru yave kujegerwa
nezvidhina, musiye mhani.” Janet
akapedzisira achiseka ega.

Akambonyarara ndokuzoti; “Eze is my soul


mate. Imhosva here kudanana? Rudo rwune
nguva here?”

Farirai akazoshingirira ndokuti; “Ko


ndakakutadzira chii unoongorora upenyu

Page | 152
hwangu kusvika pakadai nhai Janet? Ko
zvekumba kwangu nemurume wangu zvinei
newe?”

“Kana zvisinei neni uri kudei muno? Handiti


zvekumba kwako kwacho ndozvakaunza
murume mumaoko angu? And point of
correction, murume haasi wako, hakuna
murume wemunhu. Hakuna munhu
wemunhu, vanhu ndevaMwari. Dai ari wako
usina kuuya kuzondibvunza nezvake.” Janet
akadaro ndokunhonga shangu dzake
nehandbag yake oenda kuimba yake
yekurara. Akanzikwa kurovera misiwo
nekutokiya. Mumba ndokumbonyararwa.

Mbuya Chauke vakange varembedza zvese


zvekumeso kwavo, miromo, matama
nemaziso zvakarembera chaiko. Mamino
ekuchembera achiwedzerawo.

Page | 153
Nezevezeve vakati; “Mai Mashiri mwanangu,
ndine urombo. Ndange ndisingafungire kuti
Janet angaite zvakadai. Ndapota mwanangu
usasiye imba yako.”

Farirai haana kupindura, akasimuka


ndokudzokera kumba kwake. Akandowana
Ezekiel akagara mumba mekutandarira
achitaura panhare. Akataura mashoko
ekupedzisira ndokunyaradza nhare.

Ezekiel akasimuka ndokuti; “Wange waenda


kuna Janet? Kundodii? Asi unopenga?”

Farirai akatarisa murume waakange achata


naye ndokuti; “Oh atokuudza? Inga hake ane
murume anomurwira.”

“What did you achieve? Saka unofunga kuti


ukandomuvhundutsira kana kuudza amai
vake ndozvinoita kuti ndimusiye? You are
very stupid.” Ezekiel akadaro.

Page | 154
“Ezekiel, uri kutobvuma kuti musikana wepa
next door ipfambi yako? Uri kunditarisa
uchindiudza zvakadai Ezekiel? Asi
wakadyiswa? Wakashandisirwa mushonga
here nhai?” Farirai akadaro hana ichirova.

“Saka wandobvunza zvikakubatsira chii?”


Ezekiel akabvunza.

“You are a coward Ezekiel, unotadza ku…”


Farirai haana kuzopedzisa kutaura asaidzirwa
ndokusvika achigara musofa. Akabva atanga
kurohwa zvibhakera kumeso nekumusana
kusvika paakazokwanisa kutiza
ndokundozvikiira mumba mavo mekurara.

Ezekiel akasara achizvimhiza mhiza maoko


akange orwadza nekurova mukadzi. Vese
vakange vachifemera pamusoro neshungu.
Vese havana kurara zvakanaka musi uyu
nepfungwa.

Page | 155
CHITSAUKO 09

P azuva rakatevera, Ezekiel akagadzirira


kuenda kubasa, Farirai akamukira
kundogara mumba mavo mekubikira. Musi
uyu haana chaakabika kana chaakaita
kubatsira kuti murume arongedzere kuenda
kubasa. Ezekiel haana kumutsvagawo, vese
vakaramba vakanyarara.

Ezekiel akasvika mumba mekubikira


ndokumira mira. Akatarisa pachitofu
ndokuona pakatonhora. Akafamba
ndokunanga kumusuwo, otobuda kuti
aende.
“Wange uchitsvaga chii?” Farirai akabvunza
aona kuti murume otoenda.

“Breakfast, something to eat. Pane


zvawabika?” Ezekiel akabvunza.

“Oh so you still expect me to cook for you?


You still trust kuti ndingatokubikira ukadya
Page | 156
good food ukasarwara?” Farirai akabvunza
akafinyama nehasha akatarisa murume.

“Wafumira kundituka here? Ndave kuenda


hangu kubasa.” Ezekiel akadaro ndokubata
musuwo kuti abude.

“Saka hausi kuita sorry? Hausi kuona


chakaipa pane kundirovera pfambi yako
kwawakaita?” Farirai akadaro zvakare.

“Tanga iwewe kundoti sorry kuna Jenny.”


Ezekiel akadaro.

Farirai akashama muromo achipererwa


ndokuti; “Ndomuti sorry kuti zvaita sei?
Ndakamuita sei?”

“Hautooni how you embarrassed yourself


uchienda kumba kwavo usina kutaura neni?
Ane wedding vow newe ndini, kwete Jenny.
She never promised you anything saka
waindomubvunza chii.” Ezekiel akashora
mudzimai wake.
Page | 157
“Ndaigotaura newe kuti chii iwe
uchingondinyepera? Kana uchida kutaura
chokwadi why did you save her as Builder
Jay? Handiti kwaive kuti ndisazive?” Farirai
akapopota.

Ezekiel akadzungudza ndokuti; “That’s where


you are wrong. Builder Jay simply means
Janet is building me. She is restoring my life,
repairing my brokenness, fixing my
emptiness and starting new structures in my
life. That’s what builders do, handizvo here?
Problem unofunga kuti zvese zvangu has to
do with you, hameno kuti uchazviona riini
kuti handichaita izvozvo.”

Farirai akabata musoro achibaiwa


nematsananguriro akange aita murume wake
mumwe mukadzi waaiona semhunzamusha.

“Ndave kumboenda zvangu kuDomboshava


kwamhamha. Kana wave kundida

Page | 158
uchanditevera. Uchazoripiswa iyo mari
yaunogara uchipopotera.” Farirai akadaro.

“Wazofungawo. Imboenda kumusha kwako


umbondofunga kuti unodei muupenyu
hwako. Inini I have moved on. Do the same
shamwari.” Ezekiel akabva abuda ndokuenda.

Farirai akasara akagara, akange asingade


kundoudza amai vake zvakange zvichiitika
mumba make, asi aida kumbobva pana
Ezekiel.

Mbuya Chauke vakange varara vakaremerwa


nepfungwa vachifunga zvakange zvataurwa
nemwanasikana wavo achituka mukadzi
wavaida nemoyo wese. Mukadzi
wavaimbodemba kuti dai ari muroora kana
mwana wavo chaiye.

Pavakangonzwa kuti Janet akange amuka ave


kudziisa mvura yake yekugeza, vakabva
vaenda mumba make mokurara.

Page | 159
Vakandosvika ndokugara pakona
yemubhedha vakatarisana naye.
“Mhamha mamukirei nhasi? 5 ichangochaya,
endai mundorara.” Janet akadaro achishama
n’ai akatarisa amai vake.

“Jeni mwanangu, ndinoziva nekunzwisisa kuti


kana ukavingwa nemumwe mukadzi,
achikupomera nyaya inonyadzisa
yechipfambi, zvinotsamwisa. Saka unogona
kuita hasha ugomutukirira sezvawakaita mai
Mashiri nezuro. Ndinozvinzwisisa kuti dzaive
hasha nenyadzi.” Mbuya Chauke vakadaro.

Janet akatarisa amai vake nameso


aishamisika ndokuramba akaterera. Avo
vakabva vati; “Iyezvino wamborara, hasha
dzapera. Usati waenda kubasa ndomudaidza
mai Mashiri ouya pano, womukumbira
ruregerero. Kuti mese muswere muchifara.
Kana wadaro wobva warega zvekuwirirana
nemurume wake. Usakwire mumota yake,
ukasangana naye munzira uchinje nzira,
handitika mwanangu?”
Page | 160
Janet akaseka chaizvo akatarisa amai vake;
“Makaroteiko munofumira kudhomoka
kudaro nhai mhamha? Inga ndimi
maigaroimba kuti vana Mashiri vane a
perfect life and a perfect marriage. Zvipi?
Muchindienzanisa naye Farie nekuti tiri
vezera rimwe chete. Now wave mukana
wangu wekutsiva kuti muone kuti tese
takangofanana. Ehe muchati ndinotsivei
asina kunditadzira, asi ndinotsiva the sick
comparison yamaindiita. Hapana murume
asina meso meso, chero waFarirai meso ake
ave kwandiri zvino.”

Janet haana kupa amai mukana


wekupindura, akabva ati; “Inini naEze
kudanana kwedu hakunei naFarirai.
Handizive zvavakatadzirana uyezve handina
basa nazvo. Kana ndichisiyana naEzekiel
zvinobva pakusanzwanana kwedu tiri vaviri.
Kwete pakuti Farirai aita sei.”

Page | 161
“Haudaro mwanangu. Ndange ndichitofunga
kuti nditaure nehanzvadzi yako Cleopas.
Ndomuti makumbo angu anorwadza
agonditengerawo mota. Kana yauya ndiwe
unodhiraivha mwanangu, inenge iri yako.
Saka hauzopinde mumota dzavarume
vevanhu uchichemedza vakadzi vavo.”
Mbuya Chauke vakadaro.

Janet akaseka zvakaita maungira usiku uhwu.


Akaramba akatarisa amai vake achiseka
zvekubuda misodzi. “Inga mune ma drama
nhai mhamha. Ko iye Farirai munomudireiko
kudaro? Zvamunenge munotomuda kupinda
inini mwana wenyu nhaimi. Saka munoda
kuti ndipemberere mota inouya in honor of
Farirai? Haaa munomuda shame,
kutomutengera mota.”

Mbuya Chauke vakadzungudza ndokuti;


“Haisi nyaya yaFarirai, asi yeupenyu hwako
Janet. Ndiri kutadza kugamuchira kuti uri
kufarira rudo rwekubvuta. Uri kufarira rudo
rwekuti izvozvi ukabuda panze ukaona
Page | 162
vachiseka vese, hana inorova kuti watosiiwa.
Ukaona vari mumota mavo vari vese wotanga
kushiringinya kuti vazoenda kupi, kundodii,
vachirongei. Ndokudiwa kwacho here
mwanangu?”

“Zvamunombofungawo imimi futi, zvine basa


rei izvozvo? Eze anondida, ave kuda inini
chete. Mange muchiziva here kuti
akatochinja bedroom ndisati
ndatombomuda?” Janet akadaro akatarisa
amai vake.

“Ndinotyira moyo wako mwana wangu.


Uchazovei kana moyo wako washata
zvakadai? Saka uchagara uchifara kuti
Mashiri akatiza mubhedha wewanano yake
nekuda kwako? Uchasekerera kuti ave
kutaura nekuona zvakaipa chete pamusoro
pemukadzi waakaroora nekuda kwako?”
Mbuya Chauke vakagomera.

Vakadzungudza musoro ndokuti; “Kana


akataura chakanaka chaakamboita
Page | 163
nemudzimai wake wawakaendesa iwewe,
wotsamwa. Unenge uchifarira kuchema
kwevamwe, uchitsamwira kufara kwavo? Iiiih,
moyo wako mwanangu. Kana muchifara,
muchiseka mese naMashiri moyo wako
unenge uchiti mukadzi wake aripi? Anoitei,
ari kukufungira chii?” Mbuya Chauke
vakademba.

“Mhamha munonyanya kufungisisa, inga


vanhu vari kungorambana mazuva ese. Ava
vanyanyokoshei?” Janet akadaro ave kuda
kuti amai vachibuda mumba make maairara.

“Rega vanorambana varambane vega zvisinei


newe. Rega vanoparadza dzimba dzavo
vaparadze iwewe usipo. Sei Mashiri
akazowana simba rekunetsana nemudzimai
wake ave newe? Haurohwi nehana here?”
Mbuya Chauke vakabvunza.

“Inga muri kuzvitaura wani, kuti vagara vane


zvavainetsana. It was only a matter of time

Page | 164
kuti vasiyane. Ko inini ndadii hangu?” Janet
akadaro.

“Aiwa mwanangu, kana vange vane


zvavainetsana kubva kare, ngativape mukana
vagadzirisane. Inini pano ndingade kunzwa
Mashiri achitaura zvaanonetsana
nemudzimai wake, asi ndozviita sei?
Ndozvibvunza sei iwe mwana wangu uriwe
chifeve chave kuparadza imba yake? Vese
vane hama dzavo vanhu vakuru vemumhuri,
rega vandobatsirwa ikoko. Saka kana votaura
nyaya dzavo unoda kuti zita rako ritaurwewo
veukama vachichema newe? Ndizvo zvawada
here nhai Janet? Moyo iwoyo mwanangu,
wakashata, unondityisa ini amai vako.”
Mbuya Chauke vakagomera.

Janet akangofema ndokuramba akanyarara,


mbuya Chauke ndokuti; “Wati iwewe
vakagara vaine zvavainetsana mumba mavo,
ndakunzwa…”

Page | 165
Janet akakurumidza kuti; “Ehe mhamha,
Ezekiel akatozvitaura kuti kwenguva refu
vange vasingawirirane.”

“Hapana kupesana kunoitika pakati


pemukadzi nemurume wake
kusingagadzirike Jeni wena. Saka kana
vakarambana iwe uchatii? Uchati
wavabatsira? Wagove divorce lawyer here?
Saka Satani akatarisa nyika yese akati ndoda
kuparadza muchato wekwaMashiri uyo,
ndokuona iwewe ndokukutuma ukabvuma?
Iiiih mwanangu, wagove dhimoni here?”
Mbuya Chauke vakachema chema.

“Mave kutondiita inini muipi. Ndozvimwe


zvaindibhowa pana Farirai wenyu.
Munonyanya kumuita Ms Perfect. Ko kana ari
mamhepo ekumusha kwake ari kumubudisa
mumba make? Ndineiwo nazvo inini?” Janet
akadaro.

Mbuya Chauke pavasina kupindura, Janet


akati; “Ko kana Ezekiel ariye murume wangu?
Page | 166
Inga munogara muchiti ndanonoka
kuroorwa. Ndorega kupinda mumba mangu
nekufunga kuti Farirai achadii here? Ko kana
ndikasiyana naye Eze asi vakangorambana
zvakadaro? Kunetsana kwavo munoti pane
pazvichagadzirika here? Ndinomuda Ezekiel
mhamha, musandivhiringa nekufungisisa
kwenyu muchitaura zvisipo.”

Mbuya Chauke vakasimuka pamubhedha


pemwanasikana wavo pavakange vakagara
ndokuti; “Mwari andiregererewo, saamai
ndaedza pangu.”

“You worry too much mummy dearest.


Muchatoona inini naEzekiel taroorana
tichitofara. Iye Farirai bestie wenyu uyo
otokushanyirai nemurume wakewo.
Motofara futi motoona kuti mafungiro enyu
maida kutoshaisa tese ma soul mates edu,
and true happiness. Iyezvino Farirai achiri
kungovhunduka kurambwa, asi akaenda
kumba kwavo anondojaira, she will be fine.

Page | 167
Dai matomukurudzira adzokere kumusha
kwake.” Janet akadaro.
Mbuya Chauke vakatendeuka ndokubuda
chinyararire.

Apo nguva dzekubasa dzakakwana, motikari


yaEzekiel yakamira pagedhe rekwaChauke.
Janet akafambisa ndokusvika achipinda
mumota. Vese amai vake nemudzimai
waEzekiel vakange vakadongorera
nepamahwindo. Vakaona vaviri
vachitsvodana mota isati yasimuka.

Mbuya Chauke vakandomira pawaya


ndokudaidza Farirai, vakatarisana nameso
airwadziwa vese.

Farirai ndokuti; “Ezekiel akandirova madeko.


Akati ndakabvunzirei Janet nezvekudanana
kwavo. Ange achitoda kuti ndizomukumbira
ruregerero.”

“Ndine urombo mai Mashiri mwanangu.”


Mbuya Chauke vakadaro vachinzwa
Page | 168
makumbo kurwadza nekumira nguva shoma
iyoyo.

Farirai akashingirira ndokuti; “Ko…


makakwanisawo kutaurawo naye? Kuti
asiyane nemurume wangu? Anoterera imimi
amai vake kana mukamutsiura.”

Mbuya Chauke vakabwaira bwaira ndokuti;


“Ndataura naye Jeni kwenguva refu
mangwanani ano, ndichiti kuda angasiyana
nemurume wako, asi kuda ndakanonoka.
Handizive zvavakapanana kana
zvavakaudzana zvekuti Jeni haachaona
chakaipa pakutorana nemurume wemunhu
zvakadaro. Handizive kuti imhepo rudzii
yapinda pakati pedu kudai.”

“Zvino kana asingatererewo imi amai


vakamubereka saka hapachina, imba yangu
yatopararara. Kuda makatoonesana kuti
mawana mukwasha akanaka pana Mashiri.
Kuda makatofunga zvese zvandaikuudzai
zvakanaka zvandaiita naEzekiel mukaona kuti
Page | 169
zvinganake akaita mukwasha wenyu?” Farirai
akataura achifunga mashoko aConnie aiti
chembere inoroya inokusekerera asi mwana
wayo achitorana nemurume wako.

Mbuya Chauke vakatsikitsira ndokuti;


“Usambofunga zvako kuti ndinotsigira zviri
kuitwa nemwana wangu. Mwana mwana
kana achiri pamakumbo uchimubvisa
napukeni. Kana angosimuka oita twake ega,
inyasha kutererwa naye. Kana neni handina
kumbofunga kuti Janet angarambe
kunditerera kusvika pakadai. Neniwo
ndatopererwa.”

Farirai akamboita nguva akanyarara


ndokuzoti; “Ndave kumboenda kumba
kwaamai vangu kuDomboshava.
Ndichazodzoka kana Ezekiel auya nehama
dzake kuzonditora vachiripa kundirwadzisa
kwavari kuita.”

“Wave kusiya imba yako nhai Mai Mashiri?


Kupa vanhu mukana wekunyatsosasana
Page | 170
madiro avo usipo here? Usabuda mumba
mako iwe. Iye Jeni ngaazive kuti
paanoparadzana nemurume wako anenge
achiuya mumba mauri. Kana zvikadaro inini
ndoramba ndichigogodzerawo kusvika
vasiyana. Zvino kana usisipo vanofarisa.”
Mbuya Chauke vakadaro.

Farirai akadzungudza musoro ndokuti;


“Ndaneta ini. Ndikaramba ndiri pano
ndingatofa ne depression. Kuda kana
ndikambobva pamba Eze will miss me,
agoona kuti zvaari kuita zvakaipa.”

“Kuda hazvo. Asi ndine urombo Mai Mashiri


mwanangu. Handina kuziva kuti
tingazotaurewo zvakadai pakati pedu.”
Mbuya Chauke vakademba.

Vakaparadzana, Farirai ndokupinda mumba


ave kundorongedza ndokuenda kumba
kwaamai vekumubereka.

Page | 171
Mai Tinarwo vakashamisika kuona Farirai
achisvika pamba nekamutundu kakati kure.
Vakamutambira ndokusiyana naye vamirira
kuti agotaura nyaya yake. Farirai hana
yairova, akange asingazive kuti amai
vachafungei nezvakange zvaitika pakati pake
nemurume wake.

Apo vakapedza kudya vave kundorara, amai


vakati; “Ko kungoshanya kudai kwakanaka
here? Hauna kuuya pakauya Tary
sezvamunosiita mwedzi wega wega.
Wongosvika nhasi wega, kwakanaka here?”

Hana ichirova, Farirai akati; “Ndanetsana


naEzekiel, saka ndafunga kumbomusiya ega
kusvika tagadzirisana.”

“Chii chakaitika? Wakamuitei?” Mai Tinarwo


vakadaro.

Farirai akambofunga ndokuti; “Handina


zvandakamuita ini mhamha. Inyaya
yemwana. Kana zvichiita mhamha,
Page | 172
mumbonditsvagirawo vanhu vanondibatsira
nezvembereko.”

“Aaaah heya? Why now? Iye Mashiri ari


kundobatsirwepi? Makazoenda kuna Doctor
upi akandoti iwewe wega ndiwe
usingazvare?” Mai Tinarwo vakabvunza.

Farirai akadzungudza ndokuti; “Takangoenda


ikoko kwavaiti tese hapana chakaipa patiri.”

“Saka chaunoda kugadzirisa wega wega chii?


Sei uchizvipa mhosva yausina kunzi unayo?”
Mai Tinarwo vakabvunza.

“Ndiri kungoedzawo mhamha.” Farirai


akadaro.

“Umuudze auye kuzondiona Mashiri wako


iyeye. Tinzwisise kuti chaanoda kuti
ugadziriswe iye asipo chii.” Mai Tinarwo
vakadaro. Farirai akagutsurira.

Page | 173
Mai Tinarwo vakashama n’ai ndokuti; “Ufume
uchiuraya huku 15, ndine order. Ndinoda
kubuda nadzo na8 chaiyo, ndoda kumuka
dzave ready. Ugowacha maketeni eimba yese
uise manyowani akatengwa naTary. Iye haana
kuwana nguva paakauya ne grocery rake
nekuti akauya nevana vake matwins, vainetsa
musi iwoyo.”
“Ehoi mhamha. Good night.” Farirai akadaro
ndokusimuka ondorara. Mai Tinarwo
vakamutarisa kusvika apinda mumba
maairara.

Page | 174
CHITSAUKO 10

F arirai akange apedza vhiki yese ari pamba


namai vake. Mai Tinarwo havana kuramba
vachimubvunza nyaya dzake, asi kumupa
mabasa avo akawanda avaisidaidza vanhu
vekunze kuti vabatsirwe. Paakasvitsa vhiki
yese ari kuna mai, Ezekiel asingafone kana
kutaura naye, akabva azomufonera.

“Uri kuda chii? Handiti wakati wave kuenda


kumusha kwako here?” Ezekiel akapindura
nhare achidaro asina kana kukwazisana
nemudzimai wake. Akashama n’ai achiratidza
kusvotwa nekutaura nemudzimai wake.

“Uchiri wakatsamwa here? Inga ndakakupa


space and time zvawaida kuti umbodzikama
hasha dzako. Iyezvino wadzikama,
ngatichigadzirisanai.” Farirai akadaro.

Ezekiel akaseka ndokuti; “Unononoka


kufunga zvinobhowa iwe Farirai. Ndiri
Page | 175
kutofunga kuti wafona kuti undiudze kuti
uchazotora hembe dzako dzakasara riini.
Hooo, and that stove and some kitchen
utensils zvawakatengawo nemari yako.
Ukanonoka kuzotora ndichandoisa
kukaShop kavatete vako.”

Farirai akanyarara akabata nhare, yakange


yotsvedza nekuda kwedikita rakabuda
mumaoko ake. Hana yake yakarova
zvakanyanya.
“Wave kuda divorce Ezekiel? Une chokwadi?
Ndipo patave here nhai?” Farirai akabvunza
neinzwi rairwadziwa.

Farirai akambogomera; “What happened to


us nhai Ezekiel? Inga hausati wataura natete
Marita, hauna kumbotaura namhamha kuno.
Watadza kuuya kuzotaura navo vese
vatibatsirewo panyaya dzedu tigadzirise
marriage yedu here nhai?” Farirai akademba.

“I love someone else now. Janet ndinomuda


tiri kutoronga upenyu hwedu saka
Page | 176
zvekuswera ndichimhanyisana nehama
dzako handichakwanisi. Nguva yacho
yakatopfuura.” Ezekiel akadaro.

“Ko Janet akatadza kukupa futi mwana unoita


sei?” Farirai akabvunza.

“You and I know very well that hatisi


kupesana panyaya yemwana… Ndakaneta
kutaura Farie wena. Undiudze musi waunoda
kuzotora zvinhu zvako zvakasara, I can help
with transport.” Ezekiel akadaro
ndokunyaradza nhare.

Farirai akambogara akanyarara akabata


nhare yake. Akazvidzikamisa ndokufona
nhamba dzababamukuru Gabriel Mashiri,
mukoma waEzekiel.

“Makadii babamukuru? Maiguru nevana vari


sei?” Farirai akadaro apo babamukuru
Gabriel vakangodavira nhare yavo.

Page | 177
“Ndinofara zvangu makadiiwo. Ndiani wangu
uyu?” Babamukuru Gabriel Mashiri
vakanzwika kudaro.

Farirai akaseka seka ndokuti; “Babamukuru


nhai, hamuchina number dzangu?
Ndimainini venyu Farirai, mudzimai
waEzekiel.”

“Oh, ok. Mazotifungawo nhasi? Kwakadii


mainini?” Babamukuru Gabriel vakadaro.
Vainzikwa kuti pane chavaitsenga
mangwanani aya.

“Babamukuru ndinokumbirawo kubatsirwa


nemi kutaura naEzekiel. Pane zvatisiri
kunzwisisana.” Farirai akadaro.

“Ok mainini, ndakaterera.” Babamukuru


Gabriel vakapindura.

Farirai akacheuka cheuka achida kuona kana


akange ari ega panzvimbo. Akanyatsogara

Page | 178
odedemura nyaya yake kuudza hama
yemurume.

“Babamukuru handizive muedzo wakapinda


mumba medu. Ndingati kwemwedzi miviri
iyezvino hatisi kuwirirana nemunin’ina
wenyu. Akangotanga kungopopotera zvese
zvese. Akatanga achiti nditsvage basa.
Mumwe musi ongoti haana mari pazvinhu
zvandinenge ndichidawo, zvandaingotenga
makore ese. Pamwe ombotsamwira kuti sei
ndichienda kundoona amai vangu.
Ndakazoziva zvangu kuti ane pfambi yaari
kudanana nayo ndosaka ange ogara
achingonditsvagira mhosva nguva dzese.
Ndokumbirawo mumutsiure babamukuru.”
Farirai akarondedzera nyaya yake.

Akapedzisa achiti; “Ndaifunga kuti


kungotsamwisanawo kunopfuura, asi Ezekiel
atoti ndizotora twangu twese twakasara
kumba kwedu kuWaterfalls. Atondiudza
pachena kuti ave nemumwe mukadzi,

Page | 179
meaning iye neighbor wedu waave kuda
kuroora.”

“Inga zvakaoma nhai mainini.” Babamukuru


Gabriel vakadaro.

Farirai ndokuti; “Kana zvichiita tisangane tese


kwatete vangu mutiyananisewo
babamukuru. Tega tiri vaviri
hatichatokwanisa kutaura tichinzwanana.”

“Ndanzwa nyaya yenyu mainini. Asi


ngatitangirei kwekutanga. Mandiudzireiko
nyaya iyi nhai mainini?” Babamukuru Gabriel
vakabvunza.

Farirai akavhiringika ndokuti; “Matii


babamukuru?”

“Ndati, mandiudza nyaya yenyu nekuti


munoziva kuti ndiri mukoma wemurume
akakuroorai handiti?” Babamukuru Gabriel
vakabvunza, asi havana kumirira mhinduro
yaFarirai.
Page | 180
“Handiti munoziva kuti inini Gabriel,
naEzekiel tina amai nababa vamwe chete?
We are blood brothers kwete
zvekufungidzira?” Babamukuru Gabriel
vakadaro ndokutsenga zvavaidya kwavaive.

“Ichokwadi babamukuru.” Farirai akadaro


zvakare.

“Saka kufara, kuchema, kubudirira, kutadza,


kana kuparara kwaEzekiel munin’ina wangu
kunondibata zvakanyanya. Ndinoda kuona
mwana wamai vangu achifara, achigona,
achibudirira.” Babamukuru Gabriel vakadaro
mashoko asingachabuda zvakanaka vave
kunon’ona mazino.

“Ndizvo chaizvo babamukuru.” Farirai


akadaro achiremekedza mashoko emukoma
wemurume.

Page | 181
“Ooohk, inga tiri kufambirana nhai mainini.”
Babamukuru Gabriel vakaseka. Farirai
ndokusekawo asi asingazive chaaiseka.

“Pakapera gore rapera mainini, inini pano


inini, ndakakufonerai ndichiti Gabhu Junior
uyu, first born yangu, akange achiwana
maAwards 8 kuchikoro kwavo. He was the
best achiever of the year. Ndaida kuti tiende
tese sevabereki, tindopemberera mwana
wedu. Mai Gabhu vakange vane nhumbu,
vatokurirwa, nemwana wedu wetatu saka
vakange vasingakwanisi kuenda neni. Ndaida
kuti mundomira saamai vemwana mainini.
Makauya?” Babamukuru Gabriel vakabvunza.

Farirai akadzungudza ndokuzofunga kuti aive


panhare ndokuzoti; “Handina kukwanisa
kuuya, makaenda naEzekiel muri vaviri.”

“Inini ndakange ndafonera imimi mainini,


ndichikukumbirai, nekukuzivisai semhuri
yanguwo. Kana pamakaona kuti matadza
kuuya, makazondiudza here? Hamuna,
Page | 182
makati enda nemwana wamai vako. Ko
amaiguru venyu makambovafonera kuti
makorokoto mwana wedu akabudirira here?”
Gabriel Mashiri akabvunzazve.

“Handina kufonera maiguru, babamukuru.”


Farirai akadaro atsikitsira.

“Iyezvino mwana wedu mucheche ave


kutosvitsa four months, muriko henyu kumba
kwenyu. Hamuna kana kuuya kuzomuona,
kana kufona kana kutumirawo shoko rekuti
makorokoto saamai Mashiri vari mumusha.”
Gabriel Mashiri akadaro. Farirai akaramba
akanyarara.

“Kana zviri zvaamai vedu gogo Mashiri,


handichatotauri. Ndofunga mukasangana
navo mustreet hamuchatovazive.”
Babamukuru Gabriel vakadaro ndokunyarara.

Vakaita nguva vakanyararisana, Farirai


ndokuzoti; “Pakakanganisika babamukuru.
Ndakatadza.”
Page | 183
Babamukuru Gabriel vakambonzikwa kunwa,
ndokubva vazoti; “Ndosaka ndakadzima
number dzenyu dzefoni mainini. Ko number
dzemunhu wandisingataure naye
ndinodzichengeterei hangu? Ko takafungaka
kuti mune mutemo unoti mumwe nemumwe
anoita zvekumba kwake.”

Babamukuru Gabriel vakambonyarara


ndokuzoti; “Saka dzemereji yenyu idzi nhasi
ndotangirawo papi? Kuti nditowana simba
rekuuya kwenyu kunge ndaona kuti maitawo
zvamaitarisirwa kuita saamainini, Mrs Mashiri
mumusha uno. Pasina izvozvo we are
strangers. Ngatimbotangirai ipapo.”

“Mandiomesera babamukuru. Handina


kuziva kuti ndozvandakange ndichiita nguva
yese iyi. Ruregerero chokwadi babamukuru.”
Farirai akadaro.

Page | 184
“Iyezvino mave kuziva, ko tinodzidza zuva
nezuva. Vakangwara chaivo vanodzidza
kubva kune zvinoitika kune vamwe. Asi
gurumwandira revanhu vane njere
dzakangodai dai, ndovanoti ‘we learn from
our mistakes, experience is the best teacher.’
Zvino pamwe panoitika experience
nemistake yacho unobva wazoshaya second
chance. Saka zvakakosha kudzidza kuma
mistake evamwe, nema experiences
avamwe.” Babamukuru Gabriel vakadaro.

“Handina kuziva kuti I caused you this


bitterness babamukuru. Handina kuziva kuti
you wanted a chance to revenge. Sekutaura
kwamaita, ndadzidza hangu. Asi
mundiregererewo. Zvino nyangwe ndikada
kugadzirisa nekuuyawo kuzoona vana,
muchangonditi ndazodaro nekuti Eze
andiramba, saka ndazviita nekutsvaga
rubatsiro. Asi ndinokumbirawo ruregerero.”

Page | 185
Farirai akadaro nemoyo wairwadziwa
nekupererwa.

“Panyaya yenyu iyi, kana muchifunga kuti


makatanga kunetsana two months ago, muri
kuzvinyepera. Maivaka bitterness kumurume
wenyu nekumhuri yese, overtime
musingazvione, musina basa nazvo. You
pushed us all away, over a long period of
time, till you pushed your husband away.
Iyezvino amainini, mave kuita final push, that
of pushing your marriage away.” Gabriel
Mashiri akadaro.

Gabriel Mashiri akambonzikwa kuridza


mukanwa achitsenga, ndokubva azoti; “Saka,
bye bye mainini, itai zvamaingoita kare. Kuti
munoita zvemumba menyu mega
musingafunge kuti tiri mhuri imwe chete.”
Babamukuru Gabriel vakadaro nhare
ndokunyarara.

Page | 186
Farirai akapukuta kumeso kwakange
kodikitira. Kana muhapwa mese makange
matota nedikita, nhaurirano iyi yakange
yamuremera nekumurwadza zvakanyanya.
Akabwaira bwaira maziso achipisa neshungu
nemisodzi isina kubuda.

Pavhiki yakatevera, Farirai akaoneka amai


vake achiti akange odzokera kumba kwake
kuWaterfalls. Asi akaenda kumba
kwemunin’ina wake Tarisai. Akandosvika
ndokuudza mwana wamai vake chokwadi
chezvaiitika pakati pake nemurume wake.

Tarisai navatete Marita vakabva vashanyira


Ezekiel kubasa kwake. Ezekiel akashamisika
kuona vaviri ava vamushanyira, Farirai asipo,
uye asina kumbomuudza kuti vachauya.

“Babamudiki tauya kuzonzwisisa kuti muri


kufungei nemudzimai wenyu Farirai? Akauya
kumba kwevhiki yese achitarisira kuti

Page | 187
muchatevera asi hamusati mauya kuzoti
tigare pasi titaure nyaya dzenyu.” Vatete
Marita vakaparura nyaya.

“Iye akati chii paakauya kumba?” Ezekiel


akadaro akasunga chiso achiita kunge vanhu
vaasingazive.

“Akangoti ange auya kuzozorora nekuti


makamurova, pane zvamainetsana.” Vatete
Marita vakapindura.

“Takarambana naFarirai. Handichamuda.


Ndakatomirira kuti azotora hembe dzake
dzese. Inga ndakamuudza wani kuti
akasazotora hembe dzake ndichadziunza
ndega kuBoutique yenyu tete.” Ezekiel
akadaro.

Tarisai akange akatarisa Ezekiel semunhu


waasingazive ndokuti;

Page | 188
“Makambonyanyotadzirwa chiiko
chamakatadza kumuregererawo?”

Ezekiel akadzungudza ndokuti; “I wasted my


time and money living with Farie. Kwenyu
kumba you benefitted from my money and I
have nothing to show for this marriage. Imi
mese munozviziva kuti naFarirai our marriage
was dry, asi hamuna kuita basa nazvo over
the years kuti zvigadzirike.”

Vatete Marita vakati; “Mave kuita rough


babamudiki, zvaita seiko? Chokwadi mungati
you wasted time makagara nemukadzi kwe
six years dzese?”

“Tikaiteiko? Taiiteiko? Nhai tete


makambogarawo pasi nemwana
wehanzvadzi yenyu muchimupawo mazano
echikadzi ekuti avewo nemwana wake? Ko
imimi mainini Tary makambobvunzawo sisi
venyu kuti achavakawo imba yake riini, ari

Page | 189
kutsvaga basa here? Pese pamaiita
zvekushanyirana inga ndaimupa mari wani,
sei mange musina basa nazvo kuti awanewo
mari yake?” Ezekiel akatsanangura.

Vatete Marita ndokuti; “Ndiri kukunzwai


babamudiki. Saka kana tikagadzirisa nyaya
yemwana, ndiyo yekutanga. Yechipiri Farie
oitawo serious nekutsvaga mari, ndizvo?
Ipapo musha wenyu unobva wagadzirika
here? Munobva magara murunyararo?”

Ezekiel akadzungudza ndokuti; “Zvese


izvozvo pazvaiitika ndaitaura naye Farie
asingandinzwisisi. Zvakandipedza rudo.
Handichina simba reku…”

Pamusuwo pakagogodzwa, vese


ndokumbonyarara vatarisa munhu aive
pamusuwo.

Page | 190
“Hi babe, handiti tiri kutanga nekuenda
kuStand kwako nhasi? Sorry, ndange ndisina
kuona kuti mune vanhu. I will call, bye.” Janet
akadaro ndokudzokera kumashure.
Muhofisi umu makambonyararwa.

Ezekiel ndokuzoti; “I so wish dai ndakaitawo


some big projects naFarie asi ndakaona kuti
takange tiine maonero akasiyana eupenyu.
Zvandinoda handizvo zvaanoda.”
Tarisai akaseka nehasha akatarisa Ezekiel
mumaziso, ndokuti; “What are you even
talking about? Ko matove nemumwe
mukadzi sisi vangu vasati vapedza kututa
midziyo yavo yese?”

“Mave nebarika here nhai babamudiki?”


Vatete Marita vakabvunza.

Ezekiel akadzungudza ndokuti; “Kana Farie


akaramba achimanikidzira kuti tive tese, she
will be subjecting herself to abuse. Kana

Page | 191
mukaramba muchindimanikidza kuti
ndidzokerane naye she will be a victim of my
anger. Handidi kuti andifunge in my worst
behavior. Sezvamaona, I have moved on,
Farie should move on too.”

Tarisai akasimuka achiti; “Ndozvamungadai


mataura kubva patasvika pano mhani. Dai
mangoti Farie hamuchamuda mave
nemumwe wamunoda kana kugara pasi
tingadai tisina kugara. Zvimwe zvese zvamuri
kutaura izvo kwangove kuwanza mashoko
kutsvaga valid reasons dzekuti sei
makaramba mukadzi. Tazvionera, have a nice
life vaMashiri.”

Vakadzi vaviri vakabuda ndokudzokera


kuchitoro chembatya kwavatete Marita
kwakange kwasara Farirai.
Pazviso zvavo paingoonekwa kuti vakange
vafambira mashangurapata.

Page | 192
Manheru aya, vatete Marita vakaperekedza
Farirai kuDomboshava kwaamai vake.
Vakandomubatsira kutsanangura mamiriro
akange aita imba yake. Mai Tinarwo
vakaterera kusvika vatete vapedza kutaura
nhoroondo yemwanasikana yekwaakange
akaroorwa.

“Ndakagara ndazviona hangu


pawakambouya paye uchitaura zvekuti dai
tagadzirisa zvembereko. Ndakaona kuti pane
zvakawanda zvakasiirirwa, uye paive
nezvakawanda zvakange zvaitika
kwaMashiri.” Mai Tinarwo vakadaro.

Vatete Marita ndokuti; “Aida imba yake,


aifunga kuti vachagadzirisana.”

Mai Tinarwo ndokuti; “Saka wafunga kuita


sei? Wodii neupenyu hwako?”

Page | 193
Vatete Marita vakabva vati; “Imbomupai
nguva yekufunga, iyezvino achine dzungu
rekujaira kuti she is divorced. Ndichatevera
munyai wavo atipe gupuro ndiwane kuudza
vana baba kuti mwana akadzoka.”

Vese vakatarisa Farirai uyo akange oita


seakotsira vachitaura naye.

Mai Tinarwo ndokuti; “Zvinowanikwa Farie,


chitanga kufunga nezveupenyu hwako wega
husingatendereri pana Ezekiel. Hanzi
panovharika musuwo mumwe chete, pane
yakawanda inovhurika.”

Farirai akasimuka ndokuti kuna amai


navatete; “Ndave kundorara, toonana
mangwana.” Vese havana kupindura,
vakamutarisa achitadza kunyatsosimudza
makumbo kuti afambe aende. Aiita
makumbo ekuzvuva kunge aimuremera.

Page | 194
Akandogara pamubhedha wake ndokubata
bata nhare yake. Akamboda kufonera Ezekiel
asi akafunga kechipiri ndokusiyana nazvo.
Akatanga kutarisa mifananidzo yaive
munhare make achiona yese. Yaitaura
nhoroondo yaakafamba nemurume
wekwaMashiri.

Aibata mifananidzo yaEzekiel kunge aibata


munhu chaiye ndokuti; “Why is it munhu
wese angozvigamuchira kuti inini naEze
tatorambana? Saka zvatopera, so I must
move on? Just like that? Sei zviri nyore
kuvanhu vese? Ko sei ndakatadza kuzviona
tichiri tese naEze kuti imba yedu yatoparara?”

Farirai akayeredza misodzi, kana pakabata


hope dzake haana kuziva. Zvaairota zvacho
kwaive kushungurudzika, achiteverera
nekutsvaga Ezekiel kuhope asi achimushaya.

Page | 195
CHITSAUKO 11

K wakange kwapera makore maviri kubva


Farirai abva kwaMashiri kwaakange
akaroorwa. Akange agara namai vake
achivabatsira pamabhizimisi avo avaibata
bata. Shungu dzake dzaive dzekuwanawo
basa raienderana nezvaakange adzidza
kuchikoro. Akatanga kutsvaga basa
kumakambani akawanda wanda nyika yese.
Akaendawo kuma interview akawanda asi
haana kwaakawana basa kwegore rese.

Akazofunga kuita bhizimisi, akaenda kunyika


dzakaita seSouth Africa, Tanzania, Turkey
neChina achindotora zvekutengesa. Akaita
runner waamai vake newavatete vake,
nevamwe vanhu vakasiyana siyana
vaimutuma. Akaita mari yake akatenga
midziyo yake, semotikari nekutangawo
kuvaka imba yake.

Page | 196
Musi uyu Farirai akange afonerwa navatete
Marita vachiti vakange vachida kumuona
varonge rwendo rwekundohodha kunze
kwenyika.

Farirai akatanga amboenda kuSpar yaive


pakati peguta, uko aindotenga zvaaidawo
zvekumba kwavo namai vake.

Arimo kudaro akanzwa abatwa ruoko,


ndokunzwa; “Mai Mashiri mwanangu, uri
mupenyu hako?”

Farirai akatarisana nambuya Chauke, vese


vakanyemwerera vachifarirana.
Vakambundikirana vachikwazisana zvaive
neruzha zvekuti vamwe vatengi
vakatovatarisa.

“Ko ndaiedza kukufonera mwanangu. Phone


yako yaisaita ndikatofunga kuti kuda
wakaenda mhiri kuri kuenda vamwe
mazuvano.” Mbuya Chauke vakadaro.

Page | 197
“Oh, ndakachinja phone number, nekuti
ndakachinja kwekugara ndikachinjawo
mashamwari. Ndakange ndisingade kuramba
ndichiudzwa kuti Ezekiel ari kuitei. Kana
kubvunzwa kuti sei takasiyana. So kuchinja
cell number kwakaunza runyararo muupenyu
hwangu.” Farirai akadaro.

“Ichokwadi ichocho mwanangu mai Mashiri.


Zvino wakazodii? Iye Mashiri akange
azotama pamaigara paye nekuti
ndakamubudira pachena kuti handife
ndakamugamuchira kuti ave mukwasha
wangu. Isuwo tave kugara kuChisipite kumba
kwaCleopas, akavaka imba yemhuri yese.”
Mbuya Chauke vakarondedzera.

“Makadzokerana here naMashiri?” Mbuya


Chauke vakazopedzisira nemubvunzo.

Farirai akadzungudza ndokuti; “Aiwa hatina.


Ko haasati aroora Janet here, soul mate
wake?”

Page | 198
“Ko hauzive kuti vakarambana here?
Pawakabva paye havana kumbozopedza
gore vachiri kuwirirana. Vakatukana
vakakandirana mbatya panze. Mashiri
akaudza Jeni kuti ndiwe wakandirambanisa
nemudzimai wangu.” Mbuya Chauke
vakadaro ndokuseka zvekubuda misodzi.

“Inga muri kutoseka nhai mhamha.


Ndinofunga Janet akarwadziwa nazvo nekuti
vese vainyatsofara kuve vese.” Farirai
akadaro.

“Haaaa ndakakwira makomo, ndikaita ma


midnight prayers ndichikumbirira Janet
murume wake asiri weumwe.
Ndichikumbirira kudzokerana kwenyu.
Minamato yangu yakapindurwa ndosaka
ndichiseka.” Mbuya Chauke vakadaro.

“Handina hangu kumbotaura naEzekiel.


Handizive kuti ari kuita nezvei mazuvano.”
Farirai akadaro.

Page | 199
“Janet akawana mukomana wezera rake,
ndomazera enyu mese naMashiri. Uyu haana
kumboroora, haana mukadzi. Vari kutoronga
kuzoroorana nekuchata muna December
imomu, patosara mwedzi miviri nehafu.
Akatomisa hurongwa hwese ihanzvadzi yake
iye Janet, Cleopas. Anogara kuGermany
ndiye baba saka tinotomumirira. Ndiye
akaisa dheti raDecember, dai zvisizvo kana
pana October apa vangadai vakatoroorana.”
Mbuya Chauke vakarondedzera vachifara
chaizvo.

Farirai akambofunga ndokuzoti; “Saka Janet


akangoparadza zvake imba yangu ndokusiya
ondomisa yake? Chete it takes two to tango,
naEzekiel wacho akatorwa nekuti aidawo
zvekuenda.”

Mbuya Chauke vakabata Farirai ruoko


ndokuti; “Ndosaka ndafarisa kukuona
mwanangu mai Mashiri. Dzokerana
nemurume wako kani moyo wangu uzorore.
Gadzirisanai nemurume wako mufare
Page | 200
sezvamaive kare. Mhepo yakasimuka asi
yakazodzikama, ndapota zvangu
mwanangu.”

Farirai akadzungudza ndokuti; “Kuda Ezekiel


wacho atove nemumwezve mukadzi. Kana
munhu atanga zvekuchinjanisa vakadzi
haazomira. Uyezve ndinovimba naye sei
nezvaakambondiita zviya? Ko akawana
zvakare mumwe mukadzi anomuitira
zvandinenge ndichitadza inini?”

Farirai akati zvakare; “Handifunge kuti


boyfriend yaJanet anoziva nezvangu
naEzekiel. Anongoti akawana a single lady,
dzimwe nyaya kana iye Janet handifunge kuti
anoda kuti dzitaurwe.”

Mbuya Chauke vakati; “Ndizvozvo chaizvo


zvauri kutaura asi regerera murume wako.
Nyaya haisi yaJanet, asi yako iwewe
nemurume wako, imba yenyu. Dai
makwanisa kuwana nguva yekutaurirana
zvakanaka maonesana mudzokerane.”
Page | 201
“Dai aindidawo angadai akanditsvaga
paakasiyana naJanet. Zvino akangonyarara
kureva kuti ave nezvimwe.” Farirai akadaro.

Mbuya Chauke ndokuti; “Zvakanaka


mwanangu, kana uchifara hako tinotenda. Asi
ndicharamba ndichikunamatirai. Imba yako
haingaparariri mumusha mangu.”

Farirai akanyemwerera; “Zvakanakai


mhamha, taonana. Regai ndikupei nhamba
dzangu.”
Vakachinjana nhamba dzenhare
ndokuparadzana.

Farirai akafambisa ananga kwavatete Marita


uko akawana amirirwa.
Vakagara pasi ndokutarisa mabhuku avo aive
nezvavaitenga nekutengesa ndokuudzana
zvavaifanira kundotenga zvakare.

Farirai akaudza vatete vake zvaakange


ataurirana nambuya Chauke pavakasangana.
Page | 202
Vatete Marita vakati; “Aive pano Mashiri last
month, ndikamupa your new number asi
akaramba kukufonera ega. Hanzi tangai
mataura naye imimi.”

“Ndinomutya chaiko Ezekiel uya, handidi


kana kumuona. Akandiita rough yandakange
ndisingatarisire.” Farirai akadaro.
“Vasikana vaye vaanoshanda navo
ndovakandiudza kuti akarambana naJanet.
Ndikati inga zvakaoma, saka Janet
akangouya muupenyu hwenyu
kuzokurambanisai ndokukusiyai? Vanhu
vane zvivi mufunge.” Vatete Marita
vakademba.

Vakaenderera; “Ndaida kutomubvunza kuti


zvino Janet zvaakakusiya saka uri kufungei,
ndokuzonzwa nyaya dzake dzawandisa.
Akatomboenda pa suspension kubasa paita
twuma slay queen twakarwira muBank
twauya kuzomuona. Ndosaka ndisina
kuzokuudza kana kutaura nezvazvo.”
Page | 203
Farirai akambotura befu rekushungurudzika
ndokuzoti; “Apa Janet ari kutoroorwa
nemumwewo murume muna December.”

Vatete Marita vakarovanisa maoko avo


ndokuti; “Saka iwewe uri kufungei? Kana
ukawana mumwe mukana naEzekiel
ungadzokera kwaari here?”

Farirai akambofunga ndokuti; “Ndakadzidza


zvakawanda panguva yatange
takaparadzana. Ndakazonzwisisa kubva pane
zvamaitaura nezvaitaurwa naEzekiel kuti
ndainyanya kuita nezvekumba kwedu.
Kwavo kwaMashiri ndisingatomboita sekuti
kune vanhu. Ichokwadi.”

Farirai akapukuta kumeso ndokuti;


“Patakanetsana apa ndakaona kuti kumba
kwavo ndange ndisingadiwe, vakafara
chaizvo kuti ndakarambwa. Iniwo ndakange
ndisingaoni kuti ndakange ndisiri padhuze
nevamwe, I learnt the hard way. When I
Page | 204
needed them vese hapana akada kumira
neni.”

Farirai akambonyarara achifunga, ndokubva


azoti; “Ndakatanga ndichienda pama family
gatherings ekwaMashiri, asi ndaibvapo
ndisina mufaro, ndichirwadziwa. Zvaiita
sekuti mhuri yese yaingobvunza kuti ko
tichaita mwana riini. Vamwe vazukuru
vachiseka vachiti ndichawanirwa mumwe
mukadzi nekuti ndine nungo dzekutakura
dumbu zvinoita vakadzi vakakwana. Eze aiti
it’s just jokes asi inini zvaindirwadza. Kuseka
nyaya yakakura kudaro?”

Farirai akambogomera ndokuti;


“Ndakazorega kuenda kwana Ezekiel
zvachose, nekuda kwezvakange zvakataurwa
naamai vake. Yaive Christmas, ndakatadza
kubatana nevamwe pavakaenda, ndaifanira
kuzotevera two days later. Saka pakasvika Eze
nanababamukuru nemhuri dzavo, Eze
akandifonera tikataura. Ndikamuti ipa
mhamha mbuya Mashiri, phone, ndivaudze
Page | 205
sei ndisina kuuya nhasi nevamwe.
Ndaitodawo kuti vatarise kana ma groceries
aive akakwana kana paine zvaida
kuwedzerwa nditenge.
Eze akasvika nefoni pavaive, vakamuti, let me
quote: ‘Chero akasauya pano ane basa reiko
iye asina mwana mumusha muno. Dai ane
muzukuru wangu ndaiwana chekuti avinge
pano, ngaagareko.’

Farirai akambomonya muromo ndokuzoti;


“Ndakanzwa Eze achiti, ‘mhai, Farie ari
kuzvinzwa.’ Phone ndokubva yanyaradzwa.
Eze akazotumira message an hour later achiti
sorry network yazomboenda bla bla.
Zvenhema zvega. Ndopandakarega kuita,
kuenda, kana kutaura zvese zvekwaMashiri.”

Vatete Marita vakange vagumbata vakatarisa


mwana wehanzvadzi yavo, ndokuti; “Ko
hauna kumbotaura wani kuti ndozvakaitika
nhai Farie?”

Page | 206
“Kana iye Eze handina kumuudza kuti
ndakange ndanzwa zvakataurwa namai vake.
Ndaifunga kuti ndiko kusarudza rugare. Tete
handikwanise kutaura zvakaipa pamusoro
pamai vemunhu. Kufunga kwangu ndaiti
kana mai vaEze vachida chinhu ngavaudze
mwana wavo avape zvisinei neni, nekuti inini
havandide.” Farirai akadaro atsikitsira.

Akaedza kunyemwerera ndokuzoti; “Ko iye


Ezekiel imba yake yave papi? Yandakatadza
kuvakawo naye makore ese ataive tese.”

Vatete Marita vakaseka ndokuti; “Inga iwewe


watomisa mudhuri wako nhai Farie. Saka
zvaida kuti murambane kuti mumwe
nemumwe ave nezvishandwa zvake? Saka
dzokeranaika.”

Farirai akaramba akanyarara. Akange


achifunga zvakange zvataurwa nambuya
Chauke.

Page | 207
Farirai akaoneka vatete vake ndokutyaira
motikari yake odzokera kuDomboshava.
Akawana amai vake vakagara panze
vachiratidza kuti vakange vabva mugadheni
mavo. Akabudisa zvese zvaakange atenga
ndokupinda nazvo mumba. Akabva adzoka
pakange pakagara amai vake ogara navo.

Nhare yake yakarira ndokuona pachiratidzira


nhamba yaakange asingazive. Akapindura
ndokuterera chaizvo akatarisa amai vake avo
vakange vakamutarisawo.

Paakapedza kutaura panhare, akasekerera


ndokuti; “Ndawana basa mhamha.
KuRainbow Uniforms kuya kuMsasa
kwandakaenda kuInterview three months
ago. Ndange ndatokanganwa nezvayo.”

“Wakange uchiri kuda zvebasa? Ndaifunga


kuti zvawakatanga zvekuve runner hauchada
zvekuenda kubasa.” Mai vakadaro.

Page | 208
“Aiwa mhamha ndinoda basa rangu
reMarketing. Vati ndiuye kuzotanga basa
vhiki inouya iyi neMuvhuro.” Farirai
akarondedzera achifara.

“Saka order dzako unenge woita sei?” Mai


Tinarwo vakabvunza zvakare.

“Ndinokwanisa kuita zvinoita vana mai Zulu.


Maticha vanoenda kuMessina kana Jorbg
chaiko musi weChishanu, asi Muvhuro
vanenge vari pabasa. Ndichadaro kusvika
ndapedza kuvaka imba yangu.” Farirai
akadaro.

Akatarisa amai vake ndokuti; “Asi hameno


kuti mari yacho yakadii. Ko kana yandiri
kuwana kubusiness yakawanda?”

Mai Tinarwo ndokuti; “Zvagara ndozvazvitori


kuti mari yako yekuzviitira inowanda. Asi
ndinoda kuti usarudze zvaunoda wega. Go
out there and experience life, imboita office
yako ushandise degree rako. Imboona kuti
Page | 209
vamwe vanoita sei muma corporate business
avo. Kuda ungazoita Marketing Company
yako ukatopinza vamwe mabasa. Ndingafara
ndichiona fees dzekuUniversity dzandaibvisa
dzichishandawo.”

“Aaaah mhamha, ndafunga kuti muchati


kana kusina mari yakawanda ndisiye.” Farirai
akadaro.

Mai Tinarwo vakadzungudza, ndokuti;


“Ndakaona kuti ndozvawaifunga pawaive
kwaMashiri. Waifunga kuti ndinoda mari
yako, kuti ndinoda kuchengetwa nemari yako
chaizvo. Dai ndaida mari yako
pawakatengesa pese apa gore rese,
ndingadai ndakakurega uchitenga mota ne
stand uchidya sadza rangu here?
Ndakambokuti tenga sipo kana munyu
pano?”

Mai Tinarwo vakatarisa Farirai ndokuti;


“Waifunga kuti ndiri kukuenzanisa naTary.
Ndaiudza Tary zvandinoda kutengerwa
Page | 210
nekuti akange ane mari yake. Tarisai mwana
wangu, ari zvaari nekuti ndakamurera, saka
ndinokwanisa kumuudza zvandinoda
kutengerwa. Iwewe uri mwana wangu,
ndinoda kuti vana vangu vese vafanane
pakugona kuwana zvikwanisiro zveupenyu.
Handina mwana wandakazvarira kuti
achengete mumwe mwana. Kana Tarisai
aigona kuita mari yake achizvichengeta
iwewe waitadza nei? Ndozvandaida, zvega.”

Mai Tinarwo vakambonyarara, ndokuzoti;


“Iwe wakange usina chako, saka zvemari
yaMashiri ndakange ndisingade. Inga
ndozvaakataura kuna tete Marita
pamakarambana, aiti iwewe wainyanya
kundipa mari yemumba menyu. Handifunge
kuti aizonyanya kutsamwa dai waitora pamari
yawaishanda iwewe. Tete Marita vaikuudza,
asi waisanzwisisa. Ndakavaudza kuti iwewe
unonzwisisa tough love.”

Mai Tinarwo vakaenderera; “Ndaida kuti


uzviitire mari yako. Uzvichengete wega
Page | 211
uchiita zvakasiyana siyana like a normal
human being, like an adult. Ndakange
ndisingade kuti marriage ive iyo achievement
yeupenyu hwako yega. Chitanga kugadzirira
kuenda kubasa kwako, you have my blessing,
my first born daughter.”

Farirai akanyemwerera akatarisa amai vake


avo vakanyemwererawo ndokuti; “Zvimwe
zvinhu zvinonzwisisika kana zvazoitika, kana
uchiri kuudzwa hauzvinzwisise. Iyezvino
wakange wakagara pano, usina marriage,
usina kubasa kwawaienda, wairarama sei?
Inga ndakakuchengeta kusvika watanga
zvehu runner izvo. Ukatenga mota yako,
ukatanga kuvaka imba yako. Uchiri kufunga
kuti ndinoda Tarisai kupinda iwewe here?
Zvaive mumusoro mako.”
Farirai haana kupindura, akaramba akaterera
kutaura kwaamai vake.

Mai Tinarwo vakati zvakare; “Ndakaona kuti


wakange wakatsamwa zvakare ndichiramba
kuti upiwe mari kana kubatsirwa naTary
Page | 212
pawakadzoka pano. Wakambofunga here
kuti dai ndakange ndakafa ungadai
wakaendepi izvozvi? Waida kunzi
wakarambana nemurume akadzokera
kumusha kwake, kuchirehwa kudzokera
kumunin’ina wako?”

Farirai akafunga mashoko amai vake, hana


ikarova.

Avo vakazoti; “Unoti dai ndaiziva kuti Mashiri


ane hasha nemari yawaishandisa muchigara
mese, ndaiigamuchira here? Iwewe nekuda
kuitirawo amai vako, waiita sekuti all is well.
Aiwa mwanangu, hatidaro. Ziva kuti
muupenyu hwatinorarama, vanhu
vanoremekedza zvinhu zvine munhu,
vanogona kutotadza kuona hupenzi
hwemunhu ane mari. Dai waive nemari yako,
Mashiri aigona kushaya mhosva yekukupa.”
Mai Tinarwo vakadaro vave kusimuka
vopinda mumba vese.

Page | 213
Musi weChishanu masikati, Ezekiel Mashiri
akashanyira mukoma wake Gabriel
kuChinhoyi. Nguva zhinji paakange
asingaende kubasa, akange oenda kumba
kwamukoma.
“Nhai babamudiki, zvino mainini Janet
zvavakangoti muchibva kuno kuma intro,
muchitondorambana muchadii? Inga nguva
yafamba wani muri mega? Ko madii
kungodzokerana nemudzimai wenyu mainini
Farie nhai?” Maiguru mai Gabhu vakadaro.

Baba vaGabhu vakaseka ndokuti; “Haa,


mainini Farirai vakadzoka vanenge vave
munhu munyowani.”

Mai Gabhu vakabva vati; “Makazovanyanyira


mainini vangu, vaive nezvavaikanganisa havo
asi handina kufunga kuti maitozorambana
nenyaya dziya babamudiki. Paifanira
kutsvagwa nzira yekuti mugadzirisane vasati
vaenda, musina kupanana gupuro.”

Page | 214
Ezekiel akakwenya huma ndokuti; “Ichokwadi
amaiguru. Janet akangopinda mu
relationship kuzogadzirisa zvaainzwa
ndichitaura pamusoro paFarie, she was never
herself. Zvakazoti zvapera, pasisina influence
yaFarie, takatanga dzeduwo.”

Ezekiel akadzungudza ndokuti; “Haaa Janet


was so disrespectful. Ndainetsana naFarie
kakawanda asi mukutukana
nekupopotedzana kwedu, she respected me.
Nyangwe pandange ndave kumuudza zuva
nezuva kuti handichakuda, she still respected
me. Pandaiudza Janet about Farie’s reactions
panyaya dzese, aitoseka kuti Farie is a
desperate woman. Ndave kuzviona iyezvino,
kuti she was not desperate, but she valued
and respected her marriage. Akasvika
pakuenda kumba kwavo aine tarisiro yekuti
marriage yedu ichagadzirika chete. Inini
wacho, haa I was so blind.”

Ezekiel akambonyarara achifunga vese,


Farirai naJanet, ndokuzoti; “Kwete Janet,
Page | 215
ummm ndaiita kunge mushandi wake.
Aitaura too much vulgar, akandinongedza
zvake. Aiti akafarisa aiseka achitaura vulgar,
kana akatsamwa aituka ne vulgar. It was a
huge turn off for me. Ndaingonzi gwabvu
nezita rezi private part, you know how
disgusting it is in deep Shona.” Ezekiel
akaridza tsamwa achifunga matauriro aJanet,
apo mukoma wake namaiguru vaiseka
zvakanyanya vakamuterera.

Ezekiel akati zvakare; “Uyezve pandakatanga


kuvaka akange oita kunge imba yangu,
ndeyake. Iye akange andinyepera kuti aivaka.
Imba yaanoudza vanhu kuti ndeyake,
ndeyehanzvadzi yake iri kuGermany, Cleopas.
Imba yaaitotumwa nehanzvadzi yake kuti
aone kuti zviri kufamba sei.”

Vatatu vakamboseka nhema dzaJanet,


Ezekiel ndokuzoti; “The brother built a huge
family house ine wings kuChisipite uko. Vaida
kuti amai vavo naJanet vandogara ipapo,
vorendesa imba yekuWaterfalls. Iyo imba
Page | 216
yoita musha wemhuri yese, Janet aiti
ndeyake. Inini ndakatoziva amai vaJanet
vazvitaura tiri tegawo mumwe musi. Handina
kumbomubvunza asi ndopandakatanga
kuona maburi panyaya dzake dzese.
Anonyepa kusvika iye ave kutobvuma nhema
dzake.”

Baba vaGabhu vakaseka zvakare ndokuti;


“Saka wakange warohwa ne pressure ka
yekunge wasara wega pakuve nezvishandwa.
Siyana nekumhanya nhangemutange
dzavamwe dzausingazive. Ukati bwai
unoswera waromba ukaparadza musha.”
Ezekiel akaramba akanyarara akabata
rushaya.

Maiguru ndokuti; “Mainini Farie handina


chekuvapomera. Handina chandingati
vakandiitira kana kuti havana kundiitira.
Munhu aingozviraramira upenyu hwake kure
nesu mhuri yese yekwaMashiri, saka taivaona
sevanodada, sevasina hanya nesu. Asi vaive
vakadzikama uye vane hunhu.”
Page | 217
Mai Gabhu vakamboseka ndokuzoti; “Uyu
Janet wenyu haaa, 2 minutes dzamakauya
naye pano aingotaura nezvamainini Farie
kunge aive mu competition navo.
Ndikatoona kuti pachapera zvaanoziva
nezvamainini Farie, tichashaya nyaya.
Achashaya zvekutaura.”

Ezekiel akambokwenya dama ndokuti; “Muri


right maiguru, ndakarega Farie achienda
ndakatsamwa. Ndaive ndave kubitiridzwa
nezvivimbiso zvaJanet. Ndaifanira kugara
pasi naamai natete vaFarie, ndovataurira
nyaya dzangu. Kana kumubudira pachena
kuti it’s a separation kuti tigadzirise
zvainetsa.”

“Ichokwadi ichocho babamudiki. Iyo imba


yenyu yamaigarodemba kuti mainini vari
kukutadzisai kuvaka, yave papi? Yakapera
here?” Mai Gabhu vakabvunza zvakare.

Page | 218
“Padiki padiki, ichapera hayo. Chakakosha
kuti pane zvandakatanga kuvaka.” Ezekiel
akadaro asingade kutaura nezvazvo. Hazvina
kunge zvazoendeka sezvaaitarisira pakaenda
Farirai.

Baba vaGabhu vakabva vati; “Saka uchadii?


Uri kufungei?”

“Dai musina kunditsigira mukoma kuti


mudzimai wangu aende.” Ezekiel akapomera
mukoma wake.

Baba vaGabhu vakadzungudza ndokuti; “Ko


inini ndadii? Ndinongotereraka zvaunoti
ndozvinokufadza.”

Ezekiel akakwenya ndebvu dzake


ndokuramba akanyarara.

Baba vaGabhu ndokuti; “Instead of parading


your wife to us as an enemy of progress, you
should have manned up mumba mako.
Waingoisa zvirango zvehupfumi and
Page | 219
channeled moneys kwaunoda. Kana iye
aizokutenda zvabuda. Zvino wakada kuitirwa
nemumwezve mukadzi. Wakati zvatadzwa
nemumwe mukadzi, mumwe mukadzi
agadzirise, ko iwe waiiteiko?”

Ezekiel akagutsurira ndokuramba akanyarara.


Baba vaGabhu ndokuti; “Urege blame game
mupfana iwewe. Wakatanga uchiti mainini
Farirai vakutadzisa kuvaka. Ukatizve iye Janet,
gerofurendi yako ye two minutes, akaita kuti
urambane nemukadzi wako. Nhasi ndini
wawave kuti ndakatsigira kuti mainini Farirai
vaende. Unenge uri pai vanhu vese
vachikutamba sebhora revana vadiki
mumugwagwa? Usade kuita some decisions
depending on who is around you.”

Mai Gabhu vakabva vati; “Ichokwadi


babamudiki. Zvinoratidza kuti mumba
menyu, mainini Farirai was the stronger one
aiita zvinobuda. Ndivo vaiita plans, decisions
and actions aionekwa. It’s unfortunate kuti
her decisions aibuda acho akange
Page | 220
asingakubatsirei imimi as a couple. Saka after
this separation, mukazoonesana kuti ngatiitei
izvi neizvo mumba medu, munobudirira
sezvamunoda zvacho.”

“Kana ivo mainini Farirai vakadzidzawo one


or two things kubva pamakaparadzana.
Imboedzai zvakare.” Baba vaGabhu
vakapedzisira vachidaro.

Ezekiel akaramba akanyarara, mumoyo make


akange asina chokwadi chekuti Farirai
akange achizobvuma kuti vadzokerane
zvakare.

Page | 221
CHITSAUKO 12

M usi weMuvhuro wakatevera, Farirai


akasvika paRainbow Uniforms
paakange awana basa, ndiro raive zuva rake
rekutanga. Akasvika ndokugara pazvigaro
zvaive pamusuwo akatarisana nepaive
naReceptionist weKambani iyi.

Receptionist akasvika paive naFarirai ndokuti;


“Good morning, Ms Tinarwo handiti? You are
our new Marketing Manager. Ndinonzi
Cecilia Makumbe, I am the Receptionist and
Office Admin at this Company. Inini
ndakakuonai pamakauya kuInterview
hameno kana makandiona. Ndidaidzei henyu
kuti Cee, ndozvinoita vanhu vese pano.”
Vakanyemwererana vese ndokukwazisana
zvakare.

Cecilia ndokuti; “Handei ndinokuratidzai


kuOffice kwenyu. Our MD, Mrs Phiri vati vari

Page | 222
kunonoka kuuya. Ndovangadai vakuratidzai
office yenyu.”

Farirai akasimuka ndokuteverana naCecilia


vakananga kwaive nemahofisi epaKambani
iyi. Akandovhura ndokuratidza Farirai kuti
apinde.

“Take your time kutarisa zvese zvamunoda.


Diary iro riri pa desk penyu ndiro rine
passwords, yeWiFi neyeComputer yenyu, and
other important numbers and Company
information. Motarisawo kana paine any
stationery yamunoda kushandisa. MD vati
vachaita meeting nemi kana vangosvika, by
11am.” Cecilia akadaro ndokubuda achisiya
Farirai ega.

Farirai akasimuka ndokutenderera muhofisi


yese. Akatarisa tafura yake nechigaro chake
paaizoshanda akagara, zvikamufadza.
Akaenda kusherefu yemabhuku kwaive
nemafaira eKambani akange akawanda
wanda aienderana nebasa rake. Akabva
Page | 223
azogara pasi ndokutarisana neComputer
yake, ndopaakazoita nguva yakareba
achiverenga zvaivepo.

Mushure menguva refu, pamusuwo


pakagogodzwa zvinyoro nyoro, Cecilia
ndokumira pamusuwo.
“Muri kudiwa kuOffice kwaMD vauya Mrs
Phiri. Just a tip, endai neDiary renyu rebasa
and a pen. MD havadi munhu anotaura navo
asinganyore pasi, hanzi hatisi kuita ngano.”
Cecilia akapedzisa kutaura ave kuseka.

Farirai akatora bhuku nechinyoreso


ndokuenda vese kuhofisi yemukuru
nemuridzi weKambani, Mai Phiri.
Akandomusiya pamusuwo iye ndokudzokera
kubasa kwake. Akadzoka mushure menguva
shoma nekapu mbiri dzekofi ndokuzoenda
zvachose.

“Hello hello, Ms Tinarwo, welcome to


Rainbow Uniforms. Please take a seat.” Mai

Page | 224
Phiri vakadaro vachinongedza chimwe
chezvigaro zvaive muhofisi mavo.

“This is our first official meeting, Ms Tinarwo.


Allow me to call you Farie, is that ok? It
lightens the official mood.” Mai Phiri
vakadaro vachinyemwerera, Farirai
ndokugutsurira.

Vakaenderera; “Since I am not the one who


interviewed you, I just want to know you at a
personal level. I am glad you are taking notes,
I am impressed, actually. Pane vamwe vanhu
vanongofamba ari maoko, asi ivo vari pabasa,
kupinda mumunda vasina mapadza.” Mai
Phiri vakadaro ndokuseka vese.

Vakabva vazoti; “Your CV impressed me, very


much. You worked for Lwazi Foods in
Bulawayo handiti? Asi sei CV yako ine gap?
You have a three year gap on your CV,
waiitei? What happened?”

Page | 225
Farirai akatarisa pasi asingade kutarisana
meso namai Phiri avo vakange vakamutarisa
chaiko. Ndokubva ati; “Marriage happened.
My husband was working here in Harare,
saka taida kuve tese ndikasiya basa. Kubva
ipapo ndakazoitawo business rangu
ndichingotsvaga basa.”

“Ok, so how is your family, I mean your


husband and kids? What are their ages?
Nekuti this post inoda munhu ari flexible
kufamba on short notice and put in some
extra hours. Sekushanda late or early hours,
nekuti it’s a new project.” Mai Phiri vakadaro.

“I am divorced now. Tange tisina mwana.”


Farirai akadaro.
“Oh, so sorry, my bad, I just took things for
granted. Ok, back to your work…” Mai Phiri
vakadaro ndokumbonwa coffee yavo. Farirai
akadzvutawo yake asi yakamushatira,
yakange yapora.

Page | 226
Mai Phiri ndokuti; “As you know, Rainbow
Uniforms specializes in Corporate and
Industrial Uniforms kureva kuti all uniforms
emuma Banks, offices, nemahovhorosi
ekumigodhi, tisu tinoita. Pano tinoita custom
made uniforms.”

Mai Phiri vakambonyarara ndokuzoti; “Why


did I employ you? Ndinoda kuita school
uniforms, targeting private schools from Pre-
School to High School. So I want you to do
your own research kuti vanoda chii, then you
put up a strategic marketing plan. You will
make a variety of adverts and flood the Social
Media kusvika munhu wese ane mwana
wechikoro aziva kuti kune Rainbow
Uniforms.”

Farirai akanyora nyora zvese achigutsurira


kuratidza kunzwisisa. Mai Phiri ndokuti;
“Ndine anotiitira all media adverts, be it
designs, videos zvese zvinoda technology, a
guy from MK Media. He will join us soon,
ndiye wauchashanda naye. Saka on top of
Page | 227
your salary, uchawana commission on every
new school ichatenga uniforms from us.”

Farirai akagutsurira zvakare, mai Phiri


ndokuti; “So do everything, posts,
promotions, TV Adverts. You are a marketer,
you know better. Inini I will provide all
resources nekuti ndinoda ma results.”

Vakambonyarara, mai Phiri ndokuzoti; “Saka


munenge muchishanda naMK Media, at your
own schedule and arrangement. Just give me
regular updates, before I ask.”

Mai Phiri vakatarisa kumusuwo kwakange


kwagogodzwa; “Come in. Pinda ugare
mwanangu Max. Tange tatomirira iwewe.”

Mai Phiri vakachinjanisa kutarisa vaviri ava


ndokuti; “Max, this is my new Marketing
Manager for the School Uniforms Project. Ms
Farirai Tinarwo. Maxwell Khumalo of MK

Page | 228
Media ndiye achaita all our adverts as you
approve them. Saka muchashanda mese and
report back to me.”

Mai Phiri vakanyemwerera ndokuti; “Max


here is my son. Ndakashanda naye kubva
achitanga kuvhura Company yake MK Media
& IT Solutions. Max is engaged to get
married, soon tiri kuenda kumuchato wake.”

Vakatarisa Max ndokuti; “Ari sei muroora


wangu Max?”

Max akanyemwerera ndokuti; “She is fine,


ange achikusimbisai. Ndakamuudza kuti you
gave me another contract.”

Farirai naMaxwell vakakwazisana, mai Phiri


ndokutora faira raive pamberi pavo
ndokutambidza Farirai.

Page | 229
“Munokwanisa kutanga neapa, go through
this file. That is our Company profile,
munewo zvatakamboita on other projects, all
processes and budgets. Moonesana kuti
mugowanawo pekutangira.” Mai Phiri
vakadaro.

Ndokutizve; “Kana musina mibvunzo


chiendai kuOffice kwaMs Tinarwo
mundoshandira ikoko.”

Vaviri vakadungamidzana ndokuenda


kuOffice kwaFarirai. Vakasvika ndokugara
pasi vese.

Farirai ndokuti; “Zvatichiri pekutanga, can we


make a timetable kuti tosangana kupi
nguvai? Where and how often in a week.
Nekupanana some kind of homework.”

Max akagutsurira ndokuti; “We can also work


out of Office, it inspires me kunyanya

Page | 230
pakugadzira ma adverts and posts. Inini
office yangu iri paDublin House, iri pana
Corner Mbuya Nehanda naAlbion. You are
free to come in at any time.”

“Ok. Saka totanga nechii?” Farirai akabvunza


akatarisa muDiary rake.

“Let’s start with a design, a poster. Pane


zvakawanda zviri paDesktop yangu in my
Office, munogona kuuya mangwana paLunch
hour, toona. Zvinotipa ideas about our first
design yekuti timboita introduce this project.
Kana tapedza izvozvo tozoita some videos.”
Max akadaro.

Max akatarisa Farirai ndokuti; “Inini I work


anytime 24 hours. Hameno mukazvikwanisa
nekuti kana ndikangowana new idea
ndinotofona chero at midnight. Maybe
because it’s my Company saka
ndinotoshanda nguva dzese kuti ikure, and

Page | 231
also handisati ndaroora. My girlfriend sleeps
over pano neapo, saka nguva zhinji ndinenge
ndiri ndega.”

Farirai akanyemwerera ndokuti; “Its fine with


me. Ndinogara namai vangu tiri vaviri so I can
also work over time.”

Max akatarisa Farirai ndokuti; “Are you Miss


or Mrs Tinarwo? Kubasa ndinofarira kudaidza
vanhu nemazita avo ekutanga, if it’s not a
problem with you. Ndinogara ndichiudza
team yangu kuti kana tiri pa first name basis
hatizozeza kuonesana kana tave kuporonga.
It’s easy to say, ‘Farie ipapo uri wrong,’ pane
kuti, ‘Mrs Tinarwo izvo hazvina kunyatsobuda
zvakanaka, kuita sezvakati tsveyamei
mbichana.’ ” Max akazopedzisa kutaura vese
vave kuseka zvakanyanya.

Farirai akapukuta maziso ndokuti; “I get you,


yes you can call me Farie. Handisi Mrs

Page | 232
Tinarwo, Tinarwo is my father. Ndaimbove
Mrs Somebody asi zvakapera, I divorced
almost two years back. Ndosaka ndichigara
namai vangu tiri vaviri.”

“Ok, fine then. Handingadewo kuzoti


ndikafona ndichiti open your Email na10pm
phone yodairwa nemurume akagumbuka
achiti unodei kumukadzi wangu. All the same
handisi kuti tingoramba tichishanda nguva
dzisiri dzebasa. Kana tachaisa
musingakwanisi kuita zvebasa, I will not be
offended.” Max akadaro.

Farirai akagutsurira ndokutarisa nguva achiti;


“Tatanga zvakanaka, saka ndichauya kubasa
kwenyu mangwana, Mr Khumalo… Max.
Ndichauya tozoona kuti totanga nezvipi. Asi
nhasi masikati ndoda kumbotarisa Company
profile kuti tizoita zvinotarisirwa.”

Page | 233
Nhare yaFarirai yakabva yarira. “Sisi Farie,
muri sei?” Tarisai akanzikwa kudaro achifara
chaizvo. Haana kumirira kuti mukoma wake
apindure akabva ati; “How was your first day
at work? Ndokumirirai paBoutique patete
tigosangana mugondiudza zvese.”

Vese vakaseka, Farirai ndokutarisa Max,


ndokuti neinzwi raive pasi; “Tary nhai, I am in
a meeting, ndokuona after work. Next time
utange waisa message kwete kungofona.”
Tarisai akanzikwa kuseka zvine ruzha nhare
ndokunyarara.

Farirai akatarisa Max ndokuti; “Sorry about


that, munin’na wangu. Ndichamuona after
work.”

Max akanyemwerera ndokuti; “Family is


always like that. Munenge munowirirana
nemunin’ina wako.”

Page | 234
“I promised her kuti kana ndave kuita
advertising ndichatora vana vake ma twins to
be my models.” Farirai akadaro achiseka.
Max akanyemwerera ndokuti; “This is what I
meant kuti tinoshanda 24 hours, that’s
exactly what I do. You are my kind of
marketer. I see opportunities and solutions
ebasa rangu pese pese. You were home, with
your family asi wakatoona kuti vana venyu
are super models, I like that.” Max akadaro
akatarisa Farirai achiyemura mashandiro ake,
nekufunga zvimwe zvebasa rakange
rakatarisana navo.

Vese vakambonyarara, Max ndokuzooneka.


Akasimuka achiti; “Thank you so much Farie,
I am so sure this project will be a success.”
Ndokubuda oenda.

Farirai akasara ndokutarisa mafaira ese, aive


pasherefu neaive muComputer. Akatora
nguva iyi semukana wekuratidza njere dzake

Page | 235
nekugona kwake kuna mai Phiri naMK Media.
Haana kuda kuzvinyadzisa kana
kuzvishoresa. Aida kuti mai Phiri vaone kuti
vakange vasina kukanganisa kumupa basa iri.

Manheru aya, apo Farirai akange oda kurara,


nhare yake yakarira ndokuona nhamba
yaaizivisisa nemusoro kunyange akange
asina kuiisa mufoni yake.
“Mrs Mashiri, muri sei?” Ezekiel akadaro.

“Ezekiel, unoda chii?” Farirai akadaro


achishama n’ai dzekusafara nekufonerwa
kwaakange aitwa.

“Ndakuona paBoutique yatete Marita wave


kutopinda mumota, actually waonekwa
namaiguri mai Gabhu. Patazosvika padhuze
wange watosimuka. Inga wakazvitengera
mota yakanaka.” Ezekiel akadaro.

Page | 236
“Oh, ok. Vari sei havo maiguru vako?” Farirai
akabvunza.

“Vanofara chaizvo, vari kugara


vachikubvunza kuti uri sei. Hanzi babamudiki
hamusati madzosa amainini mumusha here?”
Ezekiel akadaro achiseka seka.

Farirai akaramba akanyarara, Ezekiel ndokuti;


“Wazvinzwa here? Musha wese
wakakumirira.”

Farirai akatura zibefu rainge rekuzvidzora


kuti asatukirira ndokuti; “Uri kuda chii Ezekiel
Mashiri? I am sure hauna kufonera kuti
utaure nyaya dzehama dzako kwandiri.”

“Tokwanisa kusangana musi weMugovera?


Tigoenda out for drinks tiwane mukana
wekutaura. Ndine zvakawanda zvandinoda
kutaura newe.” Ezekiel akadaro.

Page | 237
“Sechii? Unoda kundiudzei?” Farirai akadaro
achiratidza kusafarira kutaura neaimbove
murume wake.

“Apologising for starters. Pane zvakawanda


zvandakazoona kuti I failed you as my wife.
Ndingade kuti titaurirane tionesane,
nekuregererana. Kana paine zvichazoitika
tinotangira ipapo.” Ezekiel akadaro.

Farirai akamboramba akanyarara, ndokuzoti;


“Ndingadewo kukumbira ruregerero kuna
amai vako, mbuya Mashiri. Ndakatadza
kuvatora saamai vangu.”

Ezekiel akanzikwa kunyemwerera kwaaive


ndokuti; “Saka tosangana kupi Saturday?
Kana kuti huyaka uzorara kumba kwangu
neFriday, asi ndakatama kuWaterfalls. Ndave
kugara kuBraeside.”

Page | 238
“Manyanya speed vaMashiri. I am not even
sure kuti tinokwanisa kusangana kwacho riini.
Ndichangotanga basa ndinogona kunge
ndichitoshanda musi weMugovera wamuri
kuda kuti tisangane. It’s a very important
project inoda nguva and undivided attention.
Saka ndichakuudzai neMugovera
mangwanani, tinogona kusangana for lunch,
chete.” Farirai akadaro.

“Oh ok, wave kushanda kupi? That’s news to


me.” Ezekiel akadaro achiratidza kushamisika.

“Ndozokuudza kana tasangana


neMugovera.” Farirai akadaro.

“Ok, urare zvakanaka. Ndafara kutaura newe.


I miss you Farie.” Ezekiel akanzikwa kudaro
neinzwi rakaderera. Farirai akatarisa nhare
yake ndokuinyaradza.

Page | 239
Akambogara pasi achifunga, munhu
waakange ataura naye apa. Ndiye Ezekiel
Mashiri akange amuroora chaiye vachiri
vadiki. Ndiye waaiziva. Upenyu hwakazenge
hwavatamba kongonya… Kuda zvaigadzirika
vakawana mumwe mukana.

Akabatwa nehope pfungwa dzake


dzichichinjana kufunga nezvaEzekiel. Aiti
akafunga mazuva avo avaifara chaizvo,
kotevera mazuva aakachemedzwa chaizvo
nemurume uyu.

Page | 240
CHITSAUKO 13

P azuva rakatevera masikati, panguva


dzekudya, Farirai akange ave paDublin
House, pahofisi yaMax Khumalo.
Akagogodza asi hapana akapindura, akaedza
kuvhura musuwo ndokuwana wakakiiwa.

Akatarisa zvakare akaona pariipo paaida.


Ndiyo yaive nhamba yehofisi uye pakange
pakatonamirwa bepa rakanzi MK Media.
Akavhura handbag yake ndokubudisa nhare
yake ndokufonera Max.

“Farie, cheuka, ndatosvika.” Max akadaro ari


kwaitangira corridor yaizomusvitsa pahofisi
pake.

Vese vakabva vangonyaradza nhare dzavo,


Farirai ndokumirira, Max ndokuwedzerawo
kufambisa. Akasvika akagukuchira twekudya
twakawanda zvekuti Farirai akatomubatsira
kubata zvimwe kuti akwanise kuvhura
Page | 241
musuwo wehofisi yake. Vakabva vapinda
vese ndokutsveta zvavakange vakabata
patafura.
“Nhasi ndiri ndega, vakomana
vandinoshanda navo havauye kuOffice kana
pasina zvandinoda kuti vaite. Vanonyanya
kuuya kana tichigadzira videos, kana kuti
tichienda kuma photo shoots.” Max akadaro.

Farirai haana kupindura, akangomutarisa


achirongedza patafura pake.

Max akazopedza zvaairongedza ndokugara


pasi achiti; “I am sorry wawana ndisipo,
ndange ndambobuda kundotenga lunch
yedu on time. Pandadzoka ndichingopaka
mota, my girlfriend called achindiudza kuti
ave kutouya. That’s when I remembered kuti
ndakange ndati auye nhasi tiite lunch tese. So
I had to go back kundotenga lunch yakewo.
Pandakaronga zvebasa ndakabva
ndamukanganwa. Manje vakadzi hamuzvide
zvekukanganikwaka imimi.” Max akadaro ave
kuseka.
Page | 242
Akabva atizve; “So we will have lunch tiri
three, tozoshanda after lunch iye anenge
atoendawo kubasa kwake. Ndingadewo kuti
muzivane nekuti tichashanda tese kwenguva
refu.”

Farirai akagutsurira ndokubudisa diary rake


achiisa patafura ndokuti; “Zvakanakai. I
emailed you some infor yatingade. Asi
ndaona kuti it’s for videos, just explaining the
advantages of having a custom made
Rainbow Uniform.”

Max akagutsurira achiti; “Ndazviona, dai


tikawana a four year old ane mavende to put
on that advert…” Vese vakaseka chaizvo.
Pamusuwo ndokugogodzwa.

“Come in, come in sweetheart.” Max akadaro


atarisana nemusikana wake aipinda
kumusuwo kwakange kwakafuratira Farirai.
Musikana akasvika ndokumbotsvodana
naMax ndokuzotarisa Farirai.
Page | 243
Vakadzi vese vakavhunduka kuonana,
vakamboita runyararo.

Max akange ave kuswededza chikafu chavo


kwavakange vakagara akabva ati; “Janet
babe, this is Ms Tinarwo vandaikuudza kuti
ndichange ndichishanda navo on my new
project, yekuRainbow Uniforms.”

Max akatarisa Farirai ndokuti; “This is my


girlfriend, Janet.”

Farirai akasekerera ndokuti; “Ndafara


kukuzivai Mrs Khumalo-to-be.”

Janet akambotsvaga mweya wekufema


ndokuzoti; “Ms Tinarwo, ndafarawo
kukuzivai.”

Janet akagara pasi ndokutanga kudya chikafu


chake achinyobvora nyobvora chisingadzike
zvakanaka. Max naFarirai vakadya

Page | 244
vakakurumidza kupedza, vachitaura
zvekuRainbow Uniforms.

Max akatarisa Janet ndokuti; “Asi nhasi uri


kurwara? Kana kuti chikafu change
chichishata? Hauna kumbodya Jenny.”

Janet akaedza kunyemwerera ndokuti;


“Ndichazopedzisa kudya later.”

“Ok, duty calls, lunch yapera. Inini naMs


Tinarwo tine zvakawanda zvekuita masikati
ano tisati tachaisa. Design yekutanga
inofanira kundoratidzwa MD mangwana.”
Max akadaro.

Janet akasimuka ndokuedza zvakare


kunyemwerera akatarisa Farirai ndokuti;
“Saka muri kushandira muno mese? Muri
two?”

Farirai akatarisa Janet ndokumirira kuti Max


apindure uyo akangoti; “It’s unfortunate, Ms
Tinarwo had to come all the way here. Zvese
Page | 245
zvatinoda kushandisa zviri on my desktop,
pange pasina zvekuita asi kutongoti vauye
kuno.”

Janet akafamba kuti abude, Max


ndokumutevera omuperekedza.
Akandomusiya adzika manera ndokufambisa
achidzoka kuhofisi kwake.

“Ok, ngatitangei hedu. Come over this side


Farie, tione zviri paComputer tese.” Max
akadaro achiswededza chigaro chake rimwe
divi nekuisa computer pakati. Ndizvo
zvavakazoita masikati ese vachionesana
zvavaida kushanda nazvo.
Farirai naMax vakaparadzana nguva
dzekuchaisa dzisati dzakwana. Farirai
akananga kuchitoro chavatete vake.
Akawanika Tarisai achangosvikawo.

“Ko makatsamwei sisi Farie? You are so


absent minded, tiri kuramba tichikubvunzai
zvinhu zvimwe chete kakawanda wanda
musinganzwi.” Tarisai akabvunza.
Page | 246
Farirai akaseka seka ndokuti; “Kubasa
kwangu kwakaoma. Dai munhu
wandakapiwa na boss wangu kuti ndishande
naye ariye boss wangu chaiye, ndingadai
ndasiya basa nhasi.”

“Iye wamaiti MK Media? Aita sei?” Tarisai


akabvunza.

“Ndiye boyfriend yaJanet. Ehe Janet pfambi


yaEzekiel Mashiri. Ndiye waari kuchata naye
muna December.” Farirai akadaro.

Tarisai navatete Marita vakashama miromo


ndokuramba vakatarisa Farirai vakaterera.
Farirai akashaya zvimwe zvekutaura
ndokubva azoti; “Tatoita lunch tese tiri 3
kuOffice kwaMax wacho. Can you imagine he
introduced us? Tese tangoita kunge
tisingazivane, kunge tatanga kuonana nhasi.”

Vatete Marita vakaseka nehasha kunge


vakange vakatarisana naJanet ndokuti; “Ndiri
Page | 247
kutoshaya kuti saka zibhishu riya riri kufungei
kwariri izvozvi.”

Tarisai akaridza tsamwa ndokuti; “Haiwavo sis


Farie, ignore her imimi. You are the boss
ikoko. Handiti the guy is just running his
contract with your company? Itai sekuti
haapo Janet uya, musamubvumidze to rule
your life. Munhu haangatika akakubudisai
mumba menyu, nhasizve okubvisai pabasa
penyu? Hakuna izvozvo.”

Vatete Marita vaigutsurira zvese vakabva


vazoti; “Ichokwadi ichocho, zvamatoita
izvozvo magona, kunge matanga kuonana
nhasi. Tell your mind izvozvo, haumuzive
wangomuonawo nhasi. Ukada kuti
akukanganise basa rako unogona
kutodzingwa iwewe. You are new in the
Company, ava vanhu vakagara vachizivana
naBoss wako. Usaite kuti patange zvinyaya
nyaya nekuda kwako iwewe.”

Page | 248
Farirai akagutsurira zvinyoro nyoro
achinzwisisa zvairehwa nehama dzake.

Tarisai akasekerera ndokubata mukoma


wake nemaoko ese ndokuti; “Nhai Ms
Marketing Manager, saka matwins achauya
here kuma videos and photo shoots
eRainbow Uniforms? Takamirira.”

Farirai akanyemwerera akatarisa mwana


wamai vake ndokuti; “Vanouya, kana veMK
Media vanotozviziva kuti kune matwins
akamirira.” Vese vakaseka.

Vatete Marita naTarisai vakaramba


vachiterera Farirai nyaya dzekubasa kwake.
Vainakidzwa, vachiseka nekumukurudzira
sekunge ndiye aive marketing guru pasi rese.
Kana iye akazokanganwa nezvaJanet naMax,
ave kufunga zvake chaizvo zvekumiririra
Rainbow Uniforms. Vese vaifara kusvika
pavakazovhara chitoro ndokuparadzana.

Page | 249
Max Khumalo akasvika kumba kwavabereki
vake kuAvondale, 9 dzeusiku dzichichaya.
Aigara pamba pavabereki vake apa ari ega.
Vabereki vake vaive kupurazi kwavo
kwavaigara, uye vamwe vemhuri yake vaive
kunze kwenyika.
Akawana Janet aripo akagara ega apedza
kubika. Vakakwazisana mukomana
ndokumbobvisa mbatya dzekubasa
ndokuzogara patafura kuti vadye vese.

“Ko handina kuziva kuti uri kuuya kuno nhasi,


ndingadai ndakurumidza kuuya.” Max
akadaro achizvidirira mvura yekunwa.

“Mange muchiri kuita marketing


dzekuRainbow?” Janet akabvunza.

Max akagutsurira ndokuti; “Yes, it’s a big


project. That lady, Ms Tinarwo, the marketing
manager, aramba madesigns ese andange

Page | 250
ndinawo. Saka ndatotanga zvitsva. She
knows her stuff, and she is very intelligent.
She is the first person aita kuti ndimbovhura
futi Marketing and IT books.”

Janet akapeta maoko ndokuti; “Saka mange


muri mese naFarirai usiku hwuno?”

“Aiwa, aenda kare kare, by 4pm tange


tapedza, ndasara ndega ndave kugadzira her
recommendations.” Max akadaro.

Janet akabva ati; “Musi weMugovera


tigoenda kuma measurements of my
wedding gown. Mai vaye vandipa 3pm
appointment, vati ndiyo yega nguva
yavanowanikwa. She is ever busy. Vanoda
kunditora measurements votoita design ye
gown racho vosiira vanhu vavo vanosona.
Saka tinofanira kuvepo nemari
yekubhadhara, at least kuita half down.
Ndiko kuti ritangwe kusonwa.”

Page | 251
“Ok, tinoenda. Ko vari sei amai vako?
Wavasiya nani nhasi?” Max akabvunza.

“Vasara na housemaid wavo


wavakatsvagirwa nemukadzi wamukoma
Cleopas. Inenge hama yavo chete yakaisirwa
to police us pamba paye. Sometimes I wish
dai takangoramba tichigara kuWaterfalls,
zvekugara mu mansion mevanhu
uchingobvunzwa bvunzwa zvese zvese
kunge mushandi zvinotsamwisa.” Janet
akadaro achiratidza kusvotwa.

“Vanenge vachida kuti mugare zvakanaka,


kwete kukunetsai.” Max akadaro.

“Haiwavo, kana ndisina kutaura kuti pane


zvinotinetsa ngavasiyane nesu. Mukadzi
wamukoma Cleopas anobvunza zuva nezuva
kuti matiles akachena here, vanoshusha.”
Janet akatsutsumwa.

Page | 252
Max akasimuka apedza kudya ndokutora
nhare yake yakange yarira ichipinza
mameseji akawanda ndokubva ati; “Wow,
wow! This is pure genius. Uyu Tinarwo
anoziva manje the principles of marketing,
unlike vamwe vandinosishanda navo, saka
haangobvumi zvese zvese. She is just
exceptional, ndichadzidza zvakawanda kubva
paari.”

“Chii ichocho?” Janet akabvunza achibvisa


ndiro patafura achindosuka kukicheni.

Max akadaidzira achiti; “It’s just Ms Tinarwo’s


recommendations and more corrections.”

Janet haana kupindura ave kusuka ndiro, Max


akabva anyararawo abata laptop yake
achitarisa zvaive paWhatsApp zvakange
zvatumirwa naFarirai.

Page | 253
Janet akazouya ndokugara pasi ndokuwana
mukomana achitaura panhare yake achiri
kuita zvebasa paLaptop yake.

Max akazopedza kutaura nekunyora nyora


mushure memaminitsi makumi matatu ese.
Paakangotsveta nhare pasi, yakarira zvakare
ndokubva apindura ndokuwedzera ruzha kuti
vese vanzwe. Akange aona kuti Janet akange
ave kugumbuka nekusapedza kwake basa
kwaakange aita musi uyu.

“Oh, sorry Max, ndakanganwa kuti kana


wapedza kuita zvese zvandataura
ugonditumirawo poster racho. Ndinoda
kundopa MD first thing tomorrow morning
kuti ndiwane go aheard yema Video and
Brand Ambassadors.” Farirai akanzikwa
kudaro.

“Ok ok, ndinokutumira. Thanks, good night.”


Max akadaro.

Page | 254
“Chero ukapedza na 12 midnight, just send it
to me please. Goodnight.” Farirai akadaro
ndokubva nhare dzanyarara.
“Ummm saka kana mave kushanda kusvika
12 midnight ticharara here pano nhasi? Sei
uchirega achikujairira kudaro?” Janet
akabvunza asingafare.

“Kana paine project ichakurumidza kuperaka,


ndeiyoyi wena. This lady is very flexible
haamirire 8am to 5pm zvinoita vakawanda.”
Max akadaro achifara chaizvo.

“Iwewe ndiwe uri too flexible naFarie uyu.


Umungwarire, munotanga muchiita zvebasa
pafoni chete, tozonzwa ave kuzorara pano
kuti murambe muchingoshanda. I think I
have to move in here permanently,
tongoronga muchato nemarooro acho tave
kugara tese.” Janet akadaro inzwi rakwira.

Page | 255
“Don’t be ridiculous. I need the money. Unoti
mari yese yemarooro nemuchato inobva
kupi? Ndiri kutoda kupedza this project and
use it to advertise for other jobs ndiwane
mari.” Max akadaro akatarisa paLaptop pake.

Janet ndokuti; “I am a woman, ndinoziva


zvinoita vanhukadzi kana vasina varume
vanovapa attention and tell them some
sweet nothings. Farirai is alone and lonely,
she can be desperate for a man’s attention.
Iwewe as a man unenge uchiti muri kushanda
at 12 midnight, nekuti you are honestly
money focused.”

Janet akambofema ndokuzoti; “Asi believe


me, vakadzi vanoda attention, hapana
mukadzi anoda kushanda at midnight vamwe
vachipfodora hope vakagukuchirwa
mumaoko evarume vavo. Ndosaka vakadzi
vachipedzisira sleeping with their counselors
like Pastors, Marriage Therapists or shamwari

Page | 256
yemurume or babamunini who comforts her
when she is lonely.”

Max akavhara laptop andokutarisa Janet


achiti; “Unomuzivira kupiko Farie uyu? I
remember masangana nhasi and I
introduced you two. Saka kusave kwake
nemurume nekutsvaga attention zviri kubva
kupi?”

Janet akahutisa miromo ndokushaya shoko


rakabuda, Max ndokuzvirova rova pahuma
ndokuti; “Ko zita rekuti Farie warinzwa kupi?
I introduced her to you as Ms Tinarwo. Ko
marital status yake waizivira kupi? How do
you know she is alone and lonely?”

Janet akambofema ndokuti; “Inga wange


uchitaura naye pafoni ndiri kukicheni uko
uchingomudaidza kuti Farie.”

Page | 257
“Why are you so judgmental towards her as
if pane kwamakambosangana mukarwa?
Don’t you trust me anymore? Ndiye mukadzi
ega here wandatanga kushanda naye? Inga
ndine vakadzi vakawanda
vandinosingoshanda navo hauna kumboita
dambudziko navo. Why are you threatened
naFarie uyu?” Max akabvunza.

Janet akasimuka paakange akagara


ndokundogara pamakumbo emurume
ndokuti; “I trust you Max, and I love you very
much. Asi vamwe vakadzi vanouya around
you ndivo vandisingavimbe navo. Handidi
zvinhu zvinotikanganisa kuronga muchato
wedu.”
Max akatsvoda maoko aJanet ndokuti;
“Hapana chinombotikanganisa. Inga wati on
Saturday tiri kuenda kundoitisa gown rako.
Everything is in order. Asi chirega
ndichishanda mari yachoka. Chienda
undorara ndipedzise basa iri.”

Page | 258
“Ok love, ukurumidze kutevera.” Janet
akadaro ndokufamba oenda kundorara,
achisiya murume achishanda.

Page | 259
CHITSAUKO 14

M usi weMugovera
dzichangochaya,
mudhorobha
masikati,
Farirai
kundosangana
12
akasvika
naEzekiel
sekurangana kwavakange vaita. Akasvika
paSam Levy village ndokugara paRestaurant
akamumirira. Akavhura nhare yake
ndokudzokorora maEmail ebasa nekutarisa
zvimwe zvaakange ataura namai Phiri pazuva
rakange rapfuura.

Pakasvika hweta paaive, akabva angoti aida


kuvigirwa juice chete akamirira munhu
waaida kusangana naye panzvimbo iyi.

“Farie, uri sei? Unofarirawo kugara pano?”


Max akadaro achigara pachigaro chakange
chakatarisana nechaFarirai.

Page | 260
Farirai akasimudza musoro achinyemwerera
ndokuti; “Pane munhu wandakamirira. I don’t
like solo dates. I am not that confident.”
Max akanyemwererawo ndokuti; “Manje inini
ndohupenyu hwangu. I do solo dates to
observe people and things, ndichishanda
nekufunga kuti Company yangu yokura sei.”

“Nhasi Mugovera, imbozororawo.” Farirai


akadaro vese ndokuseka.

Max ndokuzoti; “Pane zvandange ndichida


hangu kuOffice, ndikazouya pano
kuzosangana neshamwari yangu Raymond.
Ari kusvika manje manje. He is an electrician
and a good one too. Kana mukazoda zvese
zvemagetsi, ndiye munhu wekudaidza iyeye.”

Farirai akagutsurira ndokuti; “I will remember


that.”

Page | 261
Max akasimuka ndokuti; “Ok, rega
ndimbogara pano. I hope I am not disturbing
your ‘me-time.’ ”

Farirai akanyemwerera ndokuti; “Not at all.


Asi ndikagara for 10 more minutes asati
asvika, ndave kubva pano.”

Max haana kuzopindura nekuti Ezekiel


akabva asvika pavaive. Akakwazisa vese,
Farirai ndokuti kuna Max; “Ndiye munhu
wandange ndakamirira uyu, just an old
friend.”

“Oh, ok.” Max akadaro achitandavadza ruoko


kuti akwazisane naEzekiel, asi aimbove
murume waFarirai uyu akangomutarisa. Max
ndokuti; “Ndave kuenda Farie, toonana
neMonday. Asi kana ukawana any new ideas
about our project, just send me a message.”
Max akafamba achibvapo ndokusiya vaviri
vari vega.

Page | 262
Ezekiel akaita nguva akatarisa Max
ndokuzoti; “Ko ndiani uyo? Sei waita such a
horrible introduction iri one sided futi?”

“NdiMax uyo, just a workmate. Haunei naye,


haanei newe.” Farirai akadaro.

“Sei akuperekedza pano?” Ezekiel akabvunza


zvakare.

“Haa shamwari, you came late, wawana


ndakakumirira pano wave kutaura zvemunhu
ari kuzvifambirawo hake?” Farirai akadaro
ave kusvotwa.

Ezekiel akapukuta kumeso ndokunyarara.


Farirai ndokuzoti; “Vana Tary vachauya
kuzonditora pano in an hour’s time. Waiti
chii?”

Page | 263
“Nguva yareba, are you dating? Pane wauri
kudanana naye here?” Ezekiel akabvunza.

Farirai akadzungudza ndokuti; “Taura


nezvako iwewe zvaunoda kuti ndizive. Kana
pane zvandinoda kukuudza nezvangu
ndichataura ndega. Wandidaidzira chii
pano?”

Ezekiel akambofema ndokuti; “Just to say I


am sorry. Zvandakaita naJanet was very
wrong in every way. Ndingati it’s the biggest
regret of my life, ndakashandisa hasha kuita
decisions. I am sorry.”
Farirai akaramba akanyarara, Ezekiel ndokuti;
“Hasha dzakaita kuti ndione sekuti ndawana
mukana wekukutsiva zvandaikupomera kuti
uri kunditadzisa. Handina kuongorora nyaya
yese sezvairi, I was a bad husband to you
Farie.”

Page | 264
Vakambotarisana, Ezekiel ndokuzoti;
“Kunyangwe tikati pane zvainetsawo mumba
medu, asi kutorana naJanet as a solution was
wrong. Ndaifanira kutsvaga rubatsiro
kuhama dzedu tese kusvika zvanaka.
Ndakatozoona waenda kuti tete Marita
vaindinzwisisa chaizvo panyaya dzatakange
tisinganzwanani isusu. Dai ndakapa marriage
yedu mukana pasina wetatu.”

“Ko imba yako yave papi? Makazovaka


mukapedza here naBuilder Jay?” Farirai
akazobvunza.

“Zvatiri kutaura pano hazvinei naJanet.


Zvekuvaka ndiri kuedza.” Ezekiel akadaro
asingade kutaura nezvaJanet.

Farirai akambofunga ndokuzoti; “I am sorry


too, Ezekiel. You are right kuti pane zvainetsa
mumba medu. Ndakazonzwisisa zvakawanda
zvacho ndagara kumba namai vangu. Pane

Page | 265
zvandange ndakatsamwirawo amai vako,
nehama dzako zvakaita kuti ndisade
kuvaona. Amai vangu inini is very strict neni
zvekuti unogona kutofunga kuti havandide
asi handina kumbovaramba. Gore rese
ndichigara navo, vachindiomesera,
vasinganditereri asi handina kumbovatiza.
Ndingadai ndakaita zvakafanana kuna amai
vako, ndaifanira kuedza nekuti iwewe neni
taifara, taive takagara zvakanaka.”
“Kana wakazozvinzwisisa ndinofara.
Handingade kuti ugare uchifunga kuti I was
abusing you or expecting too much from
you.” Ezekiel akadaro.

Farirai akaramba akanyarara, Ezekiel


akatambanudza ruoko ndokuti; “Truce, let’s
be friends again Farie.”

Farirai akatambanudzawo rwake ndokuti;


“Truce. Kuita shamwari hakuna kumboipa.”

Page | 266
Ezekiel ndokuti; “Mukoma vari kuita birthday
party yemwana wavo mudiki in a month’s
time. Handei tese, kana amai vangu
unondovaona ipapo.”

Farirai akambomhanyisa maziso achifunga


ndokuzoti; “Tichaona kana nguva yacho
yasvika. Asi ndange ndisina kutarisira
zvakadaro.”

“Ndichashanyira amai vako mumwe musi.


Handidi kuti vanhu vakuru vagare
vachindifungira zvakaipa. Ndinoda kuti
vanonzwa my side of the story ndisina hasha
kana kutsamwa.” Ezekiel akadaro.

“Inga une shungu dzekugadzirisa zvinhu.”


Farirai akadaro achiseka.

“Life is short sha, unonzwa kuti munhu afa


wosara nema bitter memories awaikwanisa

Page | 267
kungogadzirisa. Hazvidi kudaro.” Ezekiel
akadaro.

Nhare yaFarirai yakarira ndokubva ataura


kwenguva shoma ndokuti kuna Ezekiel.
“Vana Tary vave pa parking. Ndave kuenda.”

“Thanks so much, toonana futi riini?” Ezekiel


akabvunza akagara pasi Farirai asimuka.

Farirai ndokuti; “Tinotaura pafoni.” Akabva


afamba achibvapo.

Ezekiel ndokuti; “Uudze mainini Tary kuti


tange tiri tese uyezve tiri kuedza kugadzirisa
zvinhu. Ngavasandivenga zvakadaro.” Farirai
akangonyemwerera ndokuramba
akanyarara. Akabva afambisa achibvapo.

Tarisai nemhuri yake namaiguru vavo Farirai


vakananga kuMega 2, kuHatfield uko
vakasvika vachidya, kunwa nekutandara.

Page | 268
Vana vaifara vachitamba nekumhanya
nzvimbo yese. Farirai akatanga kutora
mifananidzo yemapatya emunin’ina wake
vachidzingirirana nekutamba. Akabva
atumira imwe yacho kuna Max achida kuti
aone mapatya ekumba kwavo avaida
kuzoshanda nawo pabasa ravo.

Max akange aparadzana neshamwari yake


Raymond amirira kuti achinzwa kubva kuna
Janet kuti vaizosangana kupi masikati aya.
Akamirira kudaro, akabva agamuchira
mifananidzo yakamunakidza panhare yake.

Akabva angofonera Farirai, “Nice photos we


have there, ndekupi kwamuri?”

“Tiri paMega 2, kuHatfield, the place is very


child friendly. Ndabva ndawana mukana
wekutora our potential models some photos
vari excited in a nice way.” Farirai akadaro.

Page | 269
“Do you mind if I join you? Pane zvandaona
ipapo zvingandibatsira on my other
marketing concepts.” Max Khumalo akadaro.

Farirai akaseka ndokuti; “It’s just an open area


for everyone, huya hakoka.” Max haana
kupindura, nhare yakabva yanyarara.

Farirai akazobata vana maoko ndokundogara


pakange pakagara vabereki vevana, Stanley
naTarisai. Vana vaifemereka nekutaurisa
vachiudza baba namai zvekutamba
nekumhanya kwavakange vaita.

Vakazodzikama vapiwa chikafu chavo vave


kudya. Max akabva asvika paMega 2,
akatsvaga Farirai pavanhu vese vaivepo
ndokumuona. Akabva ananga paive naFarirai
nehama dzake. Farirai akatambira Max
ndokuita kuti azivane nevamwe vese vaivepo.

Page | 270
Stanley akabva awedzera chikafu
nezvekunwa ndokupawo Max, uyo akange
ave kutaura nevana achinzwa nyaya dzavo.

“Ndine imwe contract yekugadzira advert ye


baby soap. Saka pandapiwa pictures ema
twins enyu ndabva ndada kuzozvionera. Can
we talk contracts and modelling, maybe even
having the twins as brand ambassadors. Vana
ava are very intelligent and full of energy…”
Max akadaro ndokutarisa Farirai ndokuti; “…
I guess like maiguru vavo.”

Tarisai akabva ati; “Takange tichiziva


yekuRainbow Uniforms yataitoseka kuti
yaitwa Nepotism namummy vavo avo.
Zvamave kutaura izvo zvave zvihombe.”

Stanley ndokuti; “Give us more details


tigondofunga nezvazvo. Kana zvichiita
munogona kushanda navo.”

Page | 271
Max akafara chaizvo ndokutanga
kutsanangura basa rake kune vese.
Akazopedzisira agara pasi naStanley vari
vaviri, madzimai vave kwavo vegawo. Vana
ndivo vaichinjanisa kuenda kwese kwaive
nanababa, nekwaive nanaamai.

Apo zuva rakange rodoka, vakaonekana vese


ndokuparadzana. Max ndokuti; “Manje ndave
kudzokera ndega, Farie chiuya kumota yangu
tifambe tese. Ndinondokusiya kumba
kwenyu.”

Farirai akamboenda kumota yanaTarisai


ondotora twunhu twake twaiveko
nekuonekana navo.
Max akapinda mumota make ndokubata
bata homwe dzake otarisa nhare yake.
Akaona 40 missed calls kubva kuna Janet.
Akatarisa nhare ndokuona kuti yakange
yakabviswa ruzha zvachose. Akange

Page | 272
ambopinda muBank anaRaymond
akazokanganwa kudzosa ruzha rwayo.

Akabva angofonera Janet; “Hi Jenny, sorry


sha. Phone yange iri pa silent.”

Janet akafemereka panhare achitadza


kutaura nehasha, ndokuti; “Uri kupi?
Waregerei kuuya taenda kundoita zve
wedding gown rangu?”

“Something very serious came up. Can you


imagine babes, ndawana 2 new contracts
nhasi? Imagine on a Saturday afternoon.”
Max akadaro achifara chaizvo.

“Ungandimisa for 3 good hours uchiziva kuti


hauuye? Handina here kukuudza kuti
designer wacho haawanikwe zvekumhanya? I
have lost my chance of getting a good dress.
Iyezvino ndodzokerazve kumukadzi
wamukoma Cleopas kuti andipe rake

Page | 273
ndipfeke ndigomudzorera. Ndozvaunoda,
kuti ndiite muchato wese
nezvekungokumurirwa. Wakati it’s ok kupiwa
wedding gown ramaiguru, ukati it’s ok
kuchatira pamba pamukoma Cleopas. Zvese
unongoda zvamahara. Unoda kundiita a
beggar.” Janet akanzikwa kukwamatata.
Max akaramba akanyarara.

Farirai akasvika ndokupinda mumota


ndokunyarara sezvo akaona kuti mutyairi
vaive panhare.

Janet akabva ati; “Do you know how worried


I was ndichifunga kuti kuda waita accident
kana kurwara? Izvozvi ndaita zuva rese
ndichiti phone ikarira hana inorova ndichiti
mapurisa. Kundiita benzi ndakamira
naDesigner for hours, dai wandipa mari
yekundobhadhara ndandoita ndega. Uri
benzi handiti? Iti ehe ndiri benzi.”

Page | 274
Max akaramba akanyarara zvakare. Janet
achiwedzerawo hasha; “Pindura mhani iwe.
Ohooo zviya wange una Farirai? Hee? Taura
mhani! Una Farirai? Muri mese here izvozvi?”

“Ok. Tozotaura later. Phone yangu haichina


battery.” Max akazodaro ndokunyaradza
nhare yake.

Stanley akaridza bhera achipfuura nemberi


kwavo vave kutungamira.

Max pane kuti amutse mota, akapeta maoko


ndokurarisa chigaro chemutyairi ndokunwa
mvura akanyarara.

“Are you ok? Ko warwara here?” Farirai


akabvunza.

“Nhai Farie, wakamboita zvimwe zvinhu


muupenyu hwako zvawange usina chokwadi
nazvo? Kuitira vamwe vari padhuze newe asi

Page | 275
iwewe deep down uchinyatsoona kuti
hauzvide.” Max akabvunza akatarisa Farirai
nekona yeziso.

Farirai akambofunga ndokuti; “Zvakawanda


zveupenyu zvinodaro. We make sacrifices for
those we love.”

Max akadzungudza ndokuti; “I don’t mean it


that way. Ndinoreva kuita zvimwe zvinochinja
upenyu hwako uchiitira kufadza vamwe…”

Akatarisa Farirai kumeso ndokuti; “Why am I


even confusing you ndichitadza kungotaura
sezvazviri? Ndiri kuroora nekuti ndiri under
pressure kwete nekuti ndakawana the right
person for me.
Mazuva emuchato achiswedera so, ndiri
kutonzwa kuti ndiri kurasika. Ndinofanira
kusiyana nazvo.”

Page | 276
Nzeve dzaFarirai dzakambooma
nezvaakange anzwa izvi. Akambopererwa
akashaya zvekutaura.
Pave paya akazoti; “Ko zvaita sei?”

Max akambonwa mvura ndokuti; “My


girlfried is of violent nature, anorwadza
kugara naye. She is not physically violent, asi
mashoko ake akaoma. Uyezve haana
waanotaura zvakanaka pamusoro pake, kana
kutaura achifara naye. Panguva shoma
yandakuziva Farie… eish.”

Max akambonyarara ofunga kuti otaura here


kana kuti orega, akabva azoti; “I have known
you for over a month now Farie. Nyaya dzako
dzese ndedza amai vako, tete vako kana
mhuri ya sister wako. Unogara uchifara
nehama dzako. That love and peace mumhuri
inongofadza, inodiwa nemunhu wese. The
way yaunotaura pamusoro patete vako
naamai vako, vanoita kunge they are sisters.

Page | 277
Kumba kwenyu vanhu vanodanana. Chero
baba vako vashaya makaramba muine ukama
hwakanaka nanatete vako. Ndinozviyemura
zvakadaro.”

Max akambodzungudza ndokuzoti; “Asi


kwete mukadzi wandiri kuronga muchato
naye. Kana asingapopoteri amai vake,
anenge achituka mukadzi wehanzvadzi yake
or disrespecting the brother. Unoshaya kuti
wopindura uchiti chii. Apa haatsiurike, she is
always right. Kana kuti anokunyaradza zvake
ne one vulgar word zvekuti unozomuona
saiye that heap of shit yaanotaura.
Ndazvitadza ini.”

Farirai akabva ati; “Saka ari kukupa pressure


yekuroora ndiani?”

“Kumba kwedu vari kuti ndichiroora. Iyewo


akatanga kuronga muchato ndisati

Page | 278
ndagutsikana kuti tazivana zvakakwana.”
Max akadaro, Farirai haana kupindura.

Max akagara zvakanaka ndokugadzirisa


chigaro chake ndokuti; “Sorry kutaura zvese
izvi kwauri Farie, I am just overwhelmed. Why
I asked you kuti uuye mumota mangu,
ndange ndichida kukutenda. You got me two
new contracts today. Your sister ati anoda
kugadzirirwa labels ekuisa pama box avo
ema vegetables avari kutengesa. Uyezve
babamudiki Stan vati vachandiitira
appointment na boss wavo ndivagadzirire
App inoshandiswa neCompany yavo. Kuzoti
the two supermodels, all in one day. Thanks
wena, waita kuti zuva rangu rinakidze pakati
pehondo dzepfungwa dzangu dzandiri
kurwisana nadzo.”

Farirai akangonyemwerera ndokuramba


akanyarara. Max ndokuti; “Wakati you are
divorced handiti?”

Page | 279
Farirai akagutsurira asingade kutaura
nezvazvo. Max ndokuti; “Handizive zvangu
zvamakarambanirana asi whatever it is,
ndinofunga zvaigadzirika. You are peaceful,
calm and well composed, hautyise kuve newe
even in an unpleasant situation. Marriage
and relationships zvinongoda good
communication, which you have.”

Max akambotarisa Farirai kumeso ndokuzoti;


“The way I admire you… kukuziva
kwandakaita kwakaita kuti ndione kuti there
are good women out there vanorooreka.”
Max akapedzisa kutaura abata ruoko
rwaFarirai.

Farirai akamhiza ruoko seakange abatiswa


zimbe rinopisa ndokuti; “You are getting
married soon nhai Max. Inga uri pakati
pekugadzirira muchato. I understand you are
disappointed, asi zvese zvauri kutaura is none

Page | 280
of my business. Kana uchida mukadzi
wekupedzera hasha, enda kumaAvenues uko,
inga zuva radoka.”

Max akatsikitsira ndokumutsa mota. Akabva


ati; “I am sorry Farie. Handei zvedu, titaure
dzeMarketing & Advertising.”

Vakasvika mudhorobha, Farirai ndokuti;


“Unondisiya pamaCombi, uende undogara
pasi nemusikana wako muonesane
nezvemuchato wenyu.”

Max akagutsurira ndokuti; “Thanks Farie, you


are a friend indeed.”
Akatyaira chinyararire anangisa motikari
kwaikwirirwa mota dzaienda kuDomboshava.

Page | 281
CHITSAUKO 15

M usi weMugovera manheru, Janet


akange akatsamwa, akangoti Max
achisvika pamba pake kuAvondale iye
achitooneka. Akange aenda kumba kwaive
namai vake kuChisipite. Akange aita musi
weSvondo wese akazvivharira mumba make
mekurara achifunga zvakange zvichiitika
pakati pake, naMax naFarirai.

Zvaimuvhundutsa nekuti kakange kasiri


kekutanga kuti vaiita vakadzi vaviri ivava
nemurume mumwe chete. Apa zvakange
zvadzokorereka, murume ega ndiye akange
asanduka. Hana yake yairova
zvekutomurutsisa paaifunga zvakaitika
pakati pake nanaMashiri. Iyezvino vakange
vachinjana pekumira, zvaizopera sei?

Akafunga mashoko ese aakange ataura kuna


Farirai pamusoro pevarume musoro wake
ukada kutsemuka nekutya. Akafunga kuti
Page | 282
kana mashoko aya akazobudawo muupenyu
hwake naMax, Farirai aizoti chii. Musikana
akadikitira.

Musi weSvondo manheru, mbuya Chauke


vakagogodza mumba mairara Janet
ndokuwana akarara zvekuzvivhara nemusoro
wese.
“Nhasi haumuke zuva rese here nhai?
Wodyirazve mumagumbeze? Kana iye
musikana wedu uyu angazvide
zvekukuunzira chikafu mumagumbeze?”
Mbuya Chauke vakadaro ndokugara
pamubhedha pemwanasikana wavo.

Janet akamuka ndokugara pasi ari


mumagumbeze kudaro. Akashaya zvekuudza
amai vake kuti ndozvaimunetsa.
Zvaisataurika kuna amai zvachose. Vakange
vambomuyambira pachine nguva, asi akaita
soro bandamba.

Page | 283
Mbuya Chauke vakati; “Wakangodzoka
kubva kwaKhumalo wakagumbuka. Ko gown
makandosonesa here?”

Janet akapukuta kumeso ndokuti; “Haana


kuuya Max, akanonoka kubva kubasa.”

“Muchaenda henyuka mumwe musi. Handiti


pachine mwedzi miviri?” Mbuya Chauke
vakadaro.

Janet akafinyama ndokuti; “Ndozvamusiri


kunzwisisa mese. Ndaida kusonerwa naMrs
Jaravaza, hameno kuti ndichawana imwe
appointment navo riini.”

“Ungabva watsamwa kudaro kunge


mukomana wako akange andodhakwa?
Handiti aive kubasa? Kutsvaga iyo mari
yemuchato wenyu?” Mbuya Chauke
vakadaro.

“Hamunzwisise imi… aive na… aaah


zvinonetsa.” Janet akadaro ndokutsikitsira
Page | 284
neshungu. Nyama nemweya wake zvaishaya
simba rekurwisa zvaakange akatarisana
nazvo.
“Watii Jeni?” Mbuya Chauke vakabvunza.

“Akange andoona mwana wake kumba kwa


ex-ambuya vake.” Janet akadaro.

“Khumalo ane mwana?” Mbuya Chauke


vakabvunza vachishamisika. “Akange
akamboroora? Ko iwe wakazviziva riini?
Wakamurambanisazve nemukadzi wake?”

Janet akaridzira tsamwa mumazino ndokuti;


“Chinzwai zvamave kutaura. Mwana wake
ane 7 years, vakangomitisana naamai vacho.
Havana kumbogara varoorana.”

“Saka varipi mai vemwana waKhumalo?”


Mbuya Chauke vakabvunza.

Janet akatora nhare yake ndokuvhura


paInstagram ndokutaridza amai vake
mifananidzo ndokuti; “Uyu ari kuchata
Page | 285
nemuNigerian, vanogara kuUSA.
Havatombotaure vese naMax, kana number
dzake haana nekuti vese vanoonera mwana
kwambuya vake. Iye anoti pakaroorwa mai
vemwana wake havana kuudza muNigerian
kuti vane mwana saka havatomboda kunzwa
zvese zvababa nemwana.”

“Hoo nhai, iiih vana munoshereketa.


Kwakuramba mwana wako vamwe vachidya
tsvina yembwa kuti vawane mwana mumwe
chete zvake. Saka nezuro ndozvamakarwira?”
Mbuya Chauke vakabvunza.

Janet akagutsurira achifunga nhema


dzekutaura ndokuti; “Hamusi kuona kuti
akakoshesa kundoona mwana wake pane
kundoita zvegown rangu here mhamha?”

“Ko munotauriranaka nhai Jeni. Nyaya


inotovepo ndeyekuti uchagona here iwewe
kuita stepmother vanotochengetawo mwana
zvakanaka? Dai ndakaziva musati madanana
ndakakuonesa.” Mbuya Chauke vakadaro.
Page | 286
“Munongonditi handigone zvese zvese
kunge musingatode kuti ndiroorwe. Ndosaka
ndisina kukuudzai nezvemwana wake. Dai
matobvunza Max kuti sei ari kungoita busy
pese pandinoda kuti tiite zvekugadzirira
muchato wedu. Uyezve sei
achingobvumirana nanamukoma Cleopas
kuita zvinhu zvamahara.” Janet
akatsutsumwa.

Mbuya Chauke vakamboshama muromo


zvekupererwa ndokubva vazoti; “Zvemahara
zvipizve? Inga amaiguru vako vakati
vanogona kukupa gown ravo upfeke. Kana
kuti wondohaya kushamwari yavo iri muno
muHarare. Hanzvadzi yako akati tigadzirise
pachivanze pano panyatsoita venue
yakanaka yegarden wedding. Unoda
kubatsirwa kunopfuura apa kwakaita sei?”

“Ndozoita upenyu hwese vachiti dai vasirivo


ndisina kuchata? Sei vachingoita take over
zvinhu zvese kunge vamwe tiri marombe?
Page | 287
Ngavandisiye ndiite zvinhu zvangu. Iyezvino
Max anowirirana namukoma Cleopas,
vanotoronga muchato wangu vese kunge
akatoroora.” Janet akadaro.

“Handisi kuona chinokunetsa ini. Asi


hauchada mukomana wako?” Mbuya Chauke
vakabvunza.

Janet akafemereka ndokuti; “Ndinomudisa,


kumuda chaiko zvinotondibhowa. Dai
ndaiziva kuti ndichasangana naye munoti
kana zvana Mashiri ndaimbozviita here?”

Janet akaseka ega zvakashamisa amai vake,


aiita sekuridza mhere asi achiseka.
Akazvirova mbama padama achiti; “Zvangu
naEze zviya ndokunonzi kutambisa chivi
paya. Taimboiteiko?”

Mbuya Chauke vakatsvaira muromo


vakatarisa mwanasikana wavo ndokuramba
vakanyarara. Janet akabva ati; “Handizive kuti
tikasachata naMax ndinoita sei.
Page | 288
Ndingatozviuraya chaiko. Farirai ange
akashinga zvake mukadzi uya.”

Mbuya Chauke vakabata muromo ndokuti;


“Ko munenge moregereizve kuchata isu
mhuri yese tichingokubatsirai kugadzirira
zvese? Asi pane zvimwe zvihombe zviri
kuitika zvausiri kutaura? Kana mukatadza
kubata appointment mobva matoti muchato
hakuchina? Chero iwo musi wemuchato
chaiwo vanhu vanongononoka wani
votowana vamirirwa naMufundisi?”

Janet haana kupindura. Asi akazokwanisa


kumuka ndokundogeza ndokudyawo
akagara nevamwe.

Manheru aya Max haana kufonera musikana


kana kutumira meseji. Janet ndiye
akatozofona aona kuti vave kurara vasina
kutaudzana. Vakakwanisa kuita twunyaya
twenhando ndokuseka vese, ndokurara.

Page | 289
Pazuva rakatevera, Muvhuro, Janet akange
achishanda akatarisa nguva. Akange
achinonokerwa nenguva yekuti ambowana
mukana wekubuda. Pakasvika nguva yekuti
ambozorora achinwawo putugadzike
mangwanani aya, akamhanya
kuMetropolitan Bank kubasa kwaEzekiel
Mashiri.

Ezekiel akashamisika kuona Janet achipinda


muhofisi make asina nekugogodza kwese.

“Jenny? Kwakanaka here?” Ezekiel akadaro


Janet achigara pasi.

“Ko naFarirai mave papi kugadzirisa muchato


wenyu? Ndakanzwa amai vangu vachiti
vakambosangana naye vakamukurudzira kuti
mugadzirisane. Mave papi?” Janet
akabvunza.

“We are taking it slowly… at least we are civil


with each other. Farie has always been a
good friend of mine, saka hazvisi kunyanya
Page | 290
kunetsa.” Ezekiel akadaro achitadza kuziva
kwakange kwakananga mibvunzo yaJanet.

“Une chokwadi chekuti akakuregerera


pakumbomusiya kwawakaita? Can she trust
you again? Akabvuma kuti mudzokerane?”
Janet akabvunza zvakare.

“I hope so, kana ndikamufonera anopindura


toseka. Ndikatumira joke anopindurawo, I am
not blocked saka am sure we are good.”
Ezekiel akadaro, ndokuzoti; “Ko zvaita sei?”

“Farie is getting too close nemunhu wangu


zvandisingade ini.” Janet akazodaro.

“Munhu wako upi? Akaita sei?” Ezekiel


akabvunza.

“Max, waanoshanda naye kuRainbow


Uniforms. Tall and dark, anogara akaisa ma
shades mumusoro. Ane bvudzi refu
rakawanda.” Janet akatsanangura.

Page | 291
Ezekiel akarova rova dama rake nechinyoreso
chake ndokuti; “Asi ndiye waaive naye paSam
Levy on Saturday lunch hour? Ndakamuona…
vaita sei?”

“I knew it! Max ave kungogara ari kubasa


kubva zvavakatanga project iyi vese. Kana
ndinaye anenge ari pafoni naFarirai. Saturday
yauri kutaura Max haana kutouya
kwataifanira kundosonesa gown rangu.
Takatombosangana tese tiri 3, and Max
introduced us, tese tikaita sekuti hatizivane.
Saka Farie anozviziva kuti Max ndewangu.
Please Eze, tora munhu wako, please.” Janet
akademba.

Ezekiel akambofunga ndokuzoti; “Kana


vachishanda vese sei uchifunga kuti
vanodanana? Farirai is a very decent woman,
inga uri kuti you were introduced to each
other. Sei uri so insecure kudai? Uri kutyei?”

“How sure are you kuti Farirai akakuregerera?


Ko kana akafunga kutsiva
Page | 292
zvandakambomuitira newe? Haufunge here?
This is a chance to revenge yaita kumuvinga,
nyangwe ange asingazvifunge anogona
kutsiva chete.” Janet akadaro.

“Asi dai aida kutsiva angadai akatoudzaka


muface wako wachoka history yedu tese.
Kana akanyarara zvinoreva kuti haanei ne
relationship yenyu.” Ezekiel akadaro.

Janet akaita sekudzikama ndokuti; “Maybe


you are right. Asi inini semunhu ane nyaya
dzake ndiri kungotya. Ko mubvunzewoka
please Eze. Endawozve undotaura naye tizive
kuti ari kufungei.”

“Aaah zvinoita izvozvo? Unoona sezviri nyore


kwandiri kuti nditaure nezvako? Kana zita
rako zvaro, kana any female name rinotanga
naJ rinorwadza tese. Handikwanisi kutaura
nezvako naye.” Ezekiel akadaro.

Janet akafinyama nehasha ndokuti; “Asi


hauchamudi? Hausi kuda kuti mudzokerane
Page | 293
here? Zvandiri kukuudza kuti naMax vari
kuwirirana chaizvo uri kuti ndiri kutamba?
Wakapusa iwe uchatorerwa mukadzi.”

Ezekiel akamboramba akatarisa Janet


ndokuzoti; “Oooh, I get it now. Women you
see these things faster than men. This is not
about Farie, it’s about muchinda wako.
Wakatoona kuti muchinda wako ari
kunakidzwa naFarie. Your man is attracted to
Farie and hazvichavanzika, right? Wakatoona
kuti munhu ave kutotsvedza…”

“Whatever izvozvo zvacho. Iwe just make


sure kuti Farirai wako asiyana nemunhu
wangu.” Janet akadaro ndokutarisa message
yakange yapinda panhare yake.

Akabva ati; “Ndave kutsvagwa kubasa.


Wozondiudza kuti zvanzi chii.” Akabva abuda
achifambisa odzokera kubasa kwake.
Ezekiel akambosara achifunga zvese
zvakange zvataurwa naJanet. Akange aona
Max wacho, hapana chaakange ashora paari.
Page | 294
Aive murume akasvika, murume pane vamwe
varume. Akaona Max uyu achiita mukwasha
wamai Tinarwo hana yake ikarova,
zvaigoneka.

Musi weMugovera, pavakange vasangana


akange asina kunyanya kutarisa zvakawanda,
asi Farirai akange asina kuita kuti vazivane.
Kamhepo keshanje kakamutibikira. Ko kana
Janet achirevesa? Kana muchinda waJanet
akada Farirai, saka Farirai aizosarudza ani
pakati pavo? Tarisai aizokurudzira mukoma
wake kuti asarudze murume upi? Akaona kuti
akange achinonoka kugadzirisana
neaimbove mudzimai wake.

Panguva dzekudya masikati, Farirai akange


akagara muhofisi make achizorora nekudya
kudya kwamasikati. Akange aita musangano
nevamwe veKambani mangwanani ese,
zvakamusiya ane basa rakawanda rekuita
nekuzodzosera kuvakuru vebasa.

Page | 295
Pamusuwo pake pakagogodzwa ndokubva
apindura akatsikitsira paComputer pake.

“Mrs Mashiri, maswera sei?” Ezekiel akadaro


ndokugara pachigaro chaivemo.

Farirai akasimudza musoro achiti; “Ko unodei


kuno? Ko dai wandishaya zvaunongouya
usina kundiudza?”

Ezekiel akaseka seka ndokuti; “Ndatouya,


ndikawana uripo.” Akadaro achitsveta
mapepa aive netwudyiwa twekuNandos.
“Ndakutengera lunch.”
Farirai akatora ndokutarisa zvese ndokuti;
“Ndozvawakanditengera on our first date tiri
kuCollege. How time flies.”

Ezekiel akanyemwerera achiti; “Some things


will never change.”

Farirai akarembedza miromo ndokuti; “You


changed Eze. Zvakaitika pakati pedu
zvakatotichinja tese, we will never be the
Page | 296
same nyangwe tikawirirana zvinengei.”
Ezekiel haana kupindura akabva abvunza
nezvebasa uye kuti amai vaFarirai vaive sei.

Pashure akazoti; “Ko muchinda wawaive naye


paSam Levy musi weMugovera,
unonyatsomuziva?”

Farirai akagutsurira achiti; “Tinoshanda tese


on this project and ndiye ari kuroora Janet.”
Vese vakambonyarara.

Ezekiel akashingirira ndokuti; “You seem to


be very good friends nemuchinda uya.”

“Max? Anonzi Max Khumalo. Kana


tichishanda tese tinotofanira kuwiriranaka.
So, yes we are good friends.” Farirai akadaro
asina hanya nezvaitaurwa naEzekiel.

Ezekiel akatarisa nguva akaona nguva


yekudya yave kutoda kupfuura pasina
zvaataura.

Page | 297
Akakosora kosora ndokuti; “There is no
better way to say this, but, Janet is worried
nekuwirirana kwenyu. Anenge ari kuti
muchinda ave kubvisa attention kwaari
nemuchato wavo achiisa kwauri. What’s
going on? Iye Khumalo wacho akambotaura
kuti anoda nezvako here?”

Farirai akatarisa Ezekiel achishaya zvekuita.


Akashaya kuti oshamisika here kana kuti
otsamwa. Akafunga kuti opindura sei,
ndokuzoti; “Ko hanzii naJanet?”

Ezekiel akaseka seka ndokuti; “Haaa, not


much. She is just worried kuti munenge mave
kunyanya kuwirirana chaizvo.”

Farirai akadzungudza ndokuti; “Saka


watumwa naJanet kuti uzondiudza kuti
ndisamutorera murume sezvaakandiita iye
handiti? Inini pandakazviita zvekubvunza
Janet izvi, wakanditi I embarrassed myself. Asi
nhasi unouya pamberi pangu kuzoita the

Page | 298
same thing chamaindiseka nepfambi yako.
Inga munonzwanana chaizvo.”

Ezekiel akabwaira bwaira ndokuti; “Sort of… I


mean… ari kuda kungoziva kuti chii chiri
kuitika pakati penyu.”

Farirai akaseka kwainge kugomera ndokuti;


“Bible rakareva kuti vakaipa vanomhanya
pasina anovadzingirira chokwadi. Zvamusina
rugare nhaimi. Nguva yakwana, chienda
ndishande.”

“Hauna kupinduraka? Kungoda kuziva kana


muchiwirirana chete.” Ezekiel akadaro ave
kusimuka.

Farirai akatarisa Ezekiel ndokuti; “Ndange


ndisina kutombozvifunga, but now that you
said it, it’s a good idea. How about making
that home wrecker squirm and stress a bit?
Ndongomupa sezvaari kutarisira.”

Page | 299
Ezekiel akadzungudza ndokuti; “You are
joking right? Ndatombomuudzawo kuti
hauite zvakadaro iwewe. Pane nyaya yavo
chaipo ndepekuti kumba kwavo ikoko pane
zviri kuitika.”

Farirai akabaya baya patafura nechinyoreso


chake ndokuti; “Hameno. Pane zvese
zvichaitika, muzive kuti imimi ndimi mandipa
some crazy ideas. Bye Eze.”

“Saka uri kuti chii?” Ezekiel akadaro amira


pamusiwo nekuti inzwi ramai Phiri rakange
richinzikwa kutaura corridor yese.

Farirai akaseka ndokuti; “Inga munotove ne


stress nhaimi. Ingoziva chete kuti I am not the
same Farie wamaiziva. You made me what I
will be to you, let’s enjoy the ride.”

Ezekiel akafambisa oenda paakange asiya


mota yake. Farirai akaita nguva akagara asina
chaaiita. Aifunga musi waakaenda kumba

Page | 300
kwambuya Chauke kundokumbira Janet kuti
asiyane nemurume wake.

Nhare yake yakarira ndokuona Max Khumalo


achifona, paakange oda kuipindura, mai Phiri
vakagogodza ndokupinda. Akabva
anyaradza nhare ndokutarisana nemukuru
webasa.

“Farie waswera sei?” Mai Phiri vakadaro


ndokutambidza Farirai hamvuropu vakamira
vachiti; “Ticket rekuenda kuBusiness
Breakfast Meeting kuPamusha Conference
Center hosted by Ruzvidzo Consultants. Vari
kudzidzisa on how to be a good salesperson.
Go and represent this Company uchitorawo
manotsi kuti chii chiri kuitika in the business
world.”
Farirai akagamuchira ndokutenda mai Phiri
avo vakabva vati; “Saka mangwana usauye
kuOffice, tozoonana kuswera mangwana
uchindipa report yekuti wandodzidza chii
chauchashandisa on your project. Your
business cards are ready, ugopiwa naCee
Page | 301
paReception. If possible munhu wese
achauyako ngaaende nebusiness card
raMarketing Manager weRainbow Uniforms.”

“I will do that, maam.” Farirai akadaro


achinyemwerera, ndokubva mai Phiri
vadzokera kuhofisi kwavo.

Farirai akazotarisa nhare yake akaona kuti


Max akange afona zvakare katatu. Akabva
amufonera.

“Ko sei kusadaira phone nhai Farie?” Max


akadaro vasina kukwazisana.

“Ndange ndina MD, wange watii?” Farirai


akadaro achifara kutaura naMax.

Max akambotura befu ndokuzoti; “Unoziva


ndatombofunga kuti maybe I am blocked or
you are just avoiding me.”

“I am not that petty, why would I do that?”


Farirai akadaro.
Page | 302
“I am feeling bad, maybe I came too strongly
on you. Matters of the heart kana zvakubata
unotadza kumira, unoita yese yese…” Max
akadaro.

Paakanzwa Farirai asina kupindura, akabva


ati; “Anyway, ndange ndichifona kuti
ndibvunze kuti uri kuenda here kuBreakfast
Meeting mangwana? I know kuti Mrs Phiri
vanoendesa vanhu vakasiyana siyana kubva
kuRainbow Uniforms. Kana vasina kutuma
iwewe, I am inviting you, tiende tese.” Max
akadaro.

Farirai akambofunga ndokuzoti; “Haisiyo


misangano yawaienda nemusikana wako
here?”

Max akamboita sekupererwa ndokuti; “Not


anymore, this is business. You remember the
discussion we had on the 5 P’s of Marketing?
Pane zvandiri kuda kuti tindonzwa tese
tigozoona kuti tinozviisa sei on our projects.
Page | 303
Apa handisi kutaura zveRainbow Uniforms
chete, asi nezvanguwo zvandingade kuti
undibatsirewo.”

“Ndiri kuenda hangu for Rainbow Uniforms,


toonana ikoko.” Farirai akadaro.

“Oh great. Ndini ndichange ndichitora


pictures and videos and managing all of their
Social Media platforms and Website. Saka
ndichange ndiriko full time.” Max akadaro.

Farirai akangonyaradza nhare pasina


zvaataura. Vaizoonana mangwana.

Page | 304
CHITSAUKO 16

P azuva rakatevera, Janet naMax vakamuka


ndokugadzirira kuenda kubasa. Musi uyu
vakange vanonoka kumuka sezvo vakange
vanonoka kurara vachitaura zvemarooro
nemuchato wavo.
Nhaurirano iyi yakange isina kufamba
zvakanaka nekuti hapana chavaiwirirana.
Mumwe aitaura zvimwe, mumwe opindura
zvakasiyana nezvataurwa. Vakapedzisira
vachitukana nekupomerana kusafunga,
kushaya rudo nekushaya hanya nezvinhu
zvakakosha.

Mangwanani aya, Janet akati; “Tiri kusangana


kupi kuLunch? Ndichatenga lunch ndigouya
nayo kuOffice kwako if you are busy.
Mangwanani ano umboedza kupedzawo
basa tiite lunch isina zvebasa pakati.”

“Ndinenge ndisiri muOffice nhasi.” Max


akadaro achitsvaga chihwasikiti (waist coat)
Page | 305
chake chaaipfeka kana aine basa rekutora
mifananidzo nemavhidhiyo. Akachitora
ndokubata bata muhomwe dzacho
achitsvaga dzimwe tambo dzemishina yake,
nekamwe kaCamera kadiki kaaishandisa.
Akaona zvese zvirimo ndokupfeka
akanyarara.

Janet akange akamirira nhoroondo


akambopererwa ndokuti; “Uri kushandira
kupi nhasi? Ko hauna kumbotaura wani kuti
unenge usiri kuOffice?”

“Ruzvidzo Consultants vane Breakfast


Meeting kuPamusha Conference Center saka
ndokwandiri kuenda nhasi.” Max akadaro.

“Kure kwese uko kwaSeke chaiko. Saka sei


kusandiudzawo dai ndakakumbira kubasa
taenda tese, as always.” Janet akadaro.

Max akadzungudza ndokuti; “No need for


that. Kana zvikandorebesa unenge wave
kupopota futi kuti dai tachibvapo. Asi inini
Page | 306
ndopane basa rangu rese, ndinenge ndichida
kutopedzisira kubvapo ndataura nevanhu
vese.”

Janet akamboramba akanyarara achifunga


ndokuzoti; “Inga taisingoenda tese kwese
kwaunenge uchindoshanda wani. Nhasi
hauna kana kutaura kuti pane kwauri kuenda,
why? Saka dai ndakuunzira surprise lunch
ndange ndichaita sei usiko kuOffice kwako?”

Max akaramba akanyarara achitarisa kabhegi


kake kaiva nezvekushandisa zvebasa rake.

Janet ndokuti; “Chiiko newe mazuvano? Ndiri


pano asi hautombondioni zvako nhai Max.
Unouya kuzorara late ndatobatirwa nehope.
Kare waiti ndikangoti ndave nehope wotosiya
zvese toenda tese kundorara. Iyezvino unoita
kunyahwaira kupinda mumagumbeze worara
kukona yemubhedha kunge uchadonha. Une
stress yei?”
Max akadzungudza ndokuti; “Handidi
kupomerwa zvisipo, please. Haugone
Page | 307
kubvunza here? Haugone kutaura
zvakanaka? Unotaura nhoroondo yese iyo
kunge Google’s Terms and Conditions kuti
inini ndingoti ‘yes I agree’ chete?”

Janet akaseka seka ndokuti; “Uri kuona


matauriro ako? Wave kukurumidza
kutsamwa, you have become so impatient
with me nhaiwe. Ichokwadi kuti muchato
unopa stress.”

“Inga unoziva wani, marooro nemuchato


zvinopa stress, totozofara zvapfuura.” Max
akadaro.
Akatarisa Janet ndokuti; “Wapedza? Handei
ndinokusiya kubasa kwako ndibve
ndapfuurira. Ndofanira kundoita set up yese
vanhu vasati vapinda muConference Room.”
Max akadaro ave kufamba achibuda, Janet
akatevera achimhanya.

Nzira yese, Max aive panhare nevakomana


vaaishanda navo avo vakange vatove
kuConference Room. Akamisa motikari
Page | 308
pamberi pePharmacy paishanda Janet
musikana ndokubata musuwo kuti abude.
Akatarisa mukomana uyo airatidza kuti
akange anonokerwa.

Janet akaswededza musoro kumukomana


kuti amutsvode achioneka sezvavaiita
mazuva ese, asi Max akatarisa panze
nepahwindo. Janet akaona atsvoda gotsi,
kana kuti akangobondera kugotsi
remukomana.
Hapana akataura, vakabva vaparadzana.

Max akasvika paConference Center pasati


pave nevanhu vakawanda. Achibatsirwa
nevakomana vake, vakamisa maCamera avo
paaifanira kuve ndokugara pasi. Max
akazosimuka paaive paakaona Farirai
achipinda ari ega. Vakakwazisana
vachimbundikirana ndokumboramba
vakabatana maoko ndokuzondogara pasi
vese. Vakaita twunyaya nemanzwi aive pasi,
twairatidza kunakidza vese sezvo vaionekwa
kupfipfinyika.
Page | 309
Zuva iri rakamhanya, musangano ndokupera.
Vanhu vaiparadzana pavaienda kundodya
kwemasikati. Max nevakomana vake
vakapedzisira kubuda vachirongedza mishina
yavo yavakange vashandisa.
Vakazoparadzana vapedza kurongedza zvese
mumota, vakomana vondodya vakagara
vega, Max ndokuenda pakange pakagara
Farirai. Nguva yaakazogara pasi, vanhu
vakawanda vakange vatopedza kudya vave
kudzokera kuguta kumabasa nekudzimba
dzavo.

“How was this conference? Ruzvidzo


Consultants are the best in Marketing,
Advertising and Salesmanship.” Max akadaro.

Farirai akagutsurira ndokuti; “Ndabatsirika


zvakanyanya. Ndichanyatsonyora report
ndigokuratidza ndisati ndapa MD vangu.”

Page | 310
Max akaramba akanyarara achinyemwerera
akayeverwa naFarirai, ndokuzoti; “You are so
beautiful. You are a breath of fresh air.”

“Unosiuya naJanet kuma business meetings


akadai aya handiti? Saka nhasi ati chii?
Asarirei?” Farirai akabvunza achida kuziva
zvaiitika pakati paJanet naMax.

Max akambonwa mvura achifunga


zvekutaura. Nyaya yakange yakurumidza
kuchinja asina kuzvitarisira. “Handina
kumuudza nezvemusangano uno.”

“Makagadzirisana zvawakange usingafare


nazvo musi weMugovera here?” Farirai
akabvunza zvakare.

Max akadzungudza ndokuti; “Hazvigadzirike.


Chasara kutongomuudza kuti hakuchina
muchato nemarooro.”
Farirai akashama muromo zvekupererwa
ndokuramba akanyarara.

Page | 311
Max ndokuti; “Thanks Farie, unoterera nyaya
dzangu. Ndatowana zvangu simba
rekusiyana nemukadzi uyu, haagarike naye.”
Farirai akaramba akanyarara, akange
asingade kuramba achitaura nezvaJanet.
Akange ozeza kurasa muromo
akazopedzisira otaura kwavaizivana
nezvakange zvamboitika kare, akange
asingade kuzvitaura.

Max akati; “Farie… I hope you will understand


me, and take this the right way…”

“Kuti chii?” Farirai akabvunza akatarisa Max


kumeso.

“Pese pandiri kutaura naJanet, ndave kuona


kuti I am just wasting my time with a wrong
person. Handichamuda.” Max akadaro.

“Ko zvineiwo neni? Inini ndinopinda papi


pakudanana kana kurambana kwenyu?”
Farirai akabvunza achida kuti mukomana
ataure zvaaida chaizvo.
Page | 312
Max ndokuti; “I used to tolerate Janet, but
not anymore. Iwewe ndiwe wandinoda. I am
in love with you. Ndiwe chaiye aitsvagwa
nemoyo wangu.”

Farirai akaseka ndokuti; “Varume


munoshamisa chokwadi. Handiti unoziva kuti
I am divorced?”

Max akagutsurira ndokuti; “Yes ndinozviziva,


wakandiudza, though not in so many words.
Ko zvine basa rei?”

“Zvine basa nekuti maybe problem


yakakonzera divorce yangu ndichinayo.”
Farirai akadaro, Max ndokuramba akaterera.

Farirai ndokuti; “Ndakatadza kuita mwana


naEzekiel, mamwe matambudziko akazouya
zvawo asi hombe yacho yaive yemwana.
Takashaya chekurwira pamuchato wedu.
Takashaya chekugarira nekuti vana vacho
pange pasina.”
Page | 313
Max akabata musoro ndokubvisa magirazi
matema aive mumusoro ndokumaisa
patafura ndokuzoti; “I don’t expect you to be
a mother. I want a good wife, Farie, like you.
I already have a good mother. Handitarisire
kuti uve amai kana Mwari asina kutipa
mwana wacho.”

Farirai akadzungudza zvinyoro nyoro


ndokuti; “I guess pane zvawakamboudza
Janet kuti hazvina basa asi iyezvino ndozvave
kukusembura paari.”

Max akadzosera magirazi mumusoro


ndokuti; “Zvatiri kutaura pano hazvinei
naJanet. Ngatitaurei nezvevana vedu.”

Farirai akaseka ndokuti; “Vana vaita sei?”

Max akapukuta maziso ndokuti; “Ndine


mwana ane 7 years, anogara nambuya vake,
amai vaamai vake. Amai vangu vanogara
nevana vaviri vemukoma wangu akashaika a
Page | 314
few years ago, vakashaya vese naamaiguru
mutsaona yebhazi. Saka tatove the 3
Khumalos already, tozoti matwins amainini
Tary, tatove ne5.”

Farirai akaseka ndokuti; “Inga une mhinduro


kumatambudziko angu ese. I am sorry about
your brother, hazvisi nyore kuviga vanhu
vaviri musi mumwe chete.”

Max akanwa mvura yaive pamberi pake


ndokuramba akanyarara akatarisa Farirai.
Farirai ndokuti; “Ko uri kuda chii kwandiri? Tiri
kungoitawo nyaya. Iwe une musikana wako.
Muchato wenyu wakatomirirwa nemhuri
dzenyu mese.”

“Haasi mukadzi wangu, dai tange


takaroorana ndainzwa zvauri kutaura. Asika
dating time is decision time. Isn’t it better to
have a broken relationship than a broken
marriage?” Max akatsanangura.

Page | 315
Farirai akaramba akanyarara akaterera, Max
akanyemwerera ndokubata Farirai ruoko
ndokuti; “I am happy, uri kunditerera. Take
your time, think about it, and think about us.
I love you, and I want to be with you for the
rest of my life.”

Max akatarisa Farirai ndokuti; “I will break off


my engagement with that woman.”

“Make your own decisions zvisinei neni. Why


is it varume munoona zviri nyore kubva mune
imwe relationship muchipinda mune imwe?
Ko musi waunosangana neumwe mukadzi
anokufadza kupinda inini, uchaita sei?” Farirai
akabvunza.

Max akamboita nguva akanyarara ndokuti;


“Dai takasangana kumwewo tisingashande
tese, ndaingokuda zvakadaro. Ungadai usina
kuziva kuti kuna Janet muupenyu hwangu.
Ndaingopedzerana naye tiri kwatiri and inini
newe tochata.”

Page | 316
Farirai akadzungudza musoro akafinyama.
Mumusoro make aifunga kuti saka
ndozvakamboudzwawo Janet naEzekiel izvi
kusvika imba yake yaparara.

Max akabva ati; “Nyangwe ukandiramba


zvachose, inini naJanet hapachina hapo.
Handichada kuramba ndinaye.”

Vakambonyarara, vave kudya, Max


ndokuzoti; “I know, no divorce is easy, but
how bad was yours? What exactly
happened?”

Farirai akambomonya muromo ndokuti;


“Akaita zvauri kuita ipapa.”

Max akatadza kunzwisisa ndokuti; “Ndaita


sei?”

Farirai ndokuti; “Kubva mune imwe


relationship muchipinda mune imwe,
makangofanana. Leaving me because he
thought he found someone better.”
Page | 317
Max akadzungudza ndokuti; “Pana Janet,
there is a day that I decided kuti
handichamuroora, way before I met you. I
used to tolerate a lot from her, kusvika musi
waakawana mwana wangu ari kuna amai
vangu. Akatanga kutaura nezvavo using a lot
of vulgar words, ndopandakaona kuti handidi
mukadzi akadai. Takataurirana nyaya yacho,
she apologized asi zvange zvatopedza rudo
rwangu kwaari. Ndakange ndatoona kuti
hatichina relationship, even though
takaramba tichironga muchato.”

Max akambonyarara ndokuzoti; “So you are


wrong ipapo Farie, handisi kubuda mune
imwe relationship now, ndakabudamo kare.
Dai ndaienda paDating Site ndaitoti ‘very
single and searching’ confidently. Nedzimwe
nguva relationship inenge yapera kare asi
vanhu vachiri vese. Saka iyi inenge yangove
moving on. Panozoudzwa munhu paye kuti
haachadiwa, anenge akarambwa 6 months
ago.
Page | 318
Vese vakamboseka, Farirai achigomera
nezvakataurika apa. Kuti ndozvakange
zvaitikawo pakati pake naEzekiel?
Zvakamurwadza kufunga nezvazvo.

Max ndokuzoti; “I don’t think takafanana, my


baby mamma haandifunge achitsamwa, kuita
hasha kana kugomera sezvawave kuita izvi.
Inini naYolanda my baby mamma,
takabvumirana kuti we both made a mistake
tikaita unplanned pregnancy. Tese takange
tisati tanyatsofunga zvekuroorana. Vabereki
vedu vakatoedza kuti tive tese nekuda
kwemwana asi takaudzana chokwadi kuti
hazviite. Kana paakaroorwa akandiudza kuti
haana kuudza murume wake nezvemwana
wedu. Saka tikasangana kumba kwavo, and
that happened once five years ago,
handitombotaura kuti tine mwana tese.
Iyewo handina kana number dzake, hatichina
zvekutaura kana zvekuita tese.”

Page | 319
“Ummm akaramba kuti ane mwana? Inga
hake.” Farirai akadaro.

“Ndinozviziva kuti hazviite, asi


ndakamunzwisisa. She did not abort or throw
my baby in the bin. Ini ndiripo ndinochengeta
mwana wangu. Her life, her choices. Kwatiri
zviri nane pane kugara upenyu hwese uine
anger, bitterness, unforgiveness and a list of
offenses as a package of your marriage
yekuitira mwana. Nekuti takaudzana
chokwadi ichocho tiri vaviri, takarega
zvachose kuti titomboroorana kana
zvekunyepera kana kufadza vabereki.
Ndakabvisa damage kuitira mwana wangu,
chete.” Max akadaro.

Max akanyarara aterera kuti Farirai ataurewo


nezvewanano yake naEzekiel Mashiri, kana
kuti zvekupera kwayo. Farirai akatura befu
raibva mudumbu ndokuti; “My marriage to
Ezekiel was marred by offenses. Takatadza
communication, pakaita serious emotional
abuse and disrespect kusvika taparadzana.”
Page | 320
Farirai akambomedza zigodo repahuro riya
rinoita serinogadzirwa mumweya, rinowanza
ratevedzana nemisodzi kana rikasabatwa
zvakanaka. Ndokuti; “I was offended
nezvaitaurika mumusha mavo pamusoro
pekushaya kwangu mwana. He got offended
nekuti hapana chataive nacho tese, no
mwana, no imba, no business, no savings
saka we ended up resenting each other. Pane
kuti tibudirane pachena, we abused each
other kusvika imba yaparara.”

Max akatarisa Farirai ndokuti; “I am very sorry


Farie. I am sure given a second chance
mungagadzirisa nyaya dzamaive nadzo
zvakasiyana. Now you know better. Kana
uchiri munyaya dzacho unotadza kuona
zvaunofanira kuita chaizvo. For me and
Yolanda, munhu aitibatsira mukoma wake,
first born yekumba kwavo, vane age
difference ye 10 years. Aitaura nesu
separately, aitaura neni seanotaura
nekahanzvadzi kake achindionesa kuti
Page | 321
ndaida chii muupenyu hwangu. I realized
taigona kuita vana 3 tozorambana, saka
takasiyana nazvo pachiri pedo.”

Farirai akapukuta kumeso kwakanga


kodikitira, Max ndokuti; “Tell me the truth
Farie, please, usanyepa… Are you considering
kudzokerana neaimbove murume wako? Do
you miss him? Do you feel kuti given a
second chance mungaite marriage
yakasiyana?”

Farirai akasaidzira ndiro yaakange apedza


kudyira padivi ndokuti; “Inini I can handle the
marriage better. Ndakazodzidza nekuziva
zvakawanda zvingadai zvakagadzirisa imba
yedu. Asi iye ummm, I don’t trust him.
Handifunge kuti pane chaachachinja.”

“Sei uchidaro?” Max akabvunza vese


ndokumbonyarara hweta achitora ndiro
nazvese zvaive netsvina kubva patafura yavo.

Page | 322
Farirai akamboita seaizeza kutaura
ndokuzoti; “Patakanetsana kusvika
pakurambana, aironga kuvaka imba yake
nemumwe mukadzi waakange odanana
naye. Kwaisave kuronga kwake asi kungove
pressurized nemumwe munhu. Dai akangoita
pressure iyoyo mumba medu tiri vaviri
tingadai tisina kurambana. Dai akandinyima
mari yazvese zvandaida inini and channeled
all his money pakuvaka pacho, zvaingobuda.
Asi akatanga andituka, kunditsondora
nekundinyadzisa raini rese achitorana naJ…
neimwe pfambiwo yaitove nejerasi
nemagariro edu.”

Farirai akambofemeruka achifunga kuti


akange apotsa ataura zita raaisafanira
kutaura. Akaenderera achiti; “He apologized,
ndakamuregerera. Ari kuita sekuti anoda kuti
tidzokerane, asizve, haasi kutaura saiye ari
kuda. Hanzi amaiguru vakati tidzokerane.
Saka haazive zvaanoda, anoita zvaanenge
achipiwa pressure kuti aite. Kana neni pane
nguva yandaingoitawo zvandaida nemari
Page | 323
mumba asina basa nazvo, asi
akazongodhujuka rimwe zuva imba
ikaparara.”

Max akaseka ndokuti; “Inga zvakaoma,


kugarisana kunonetsa.”

Farirai akaedza kunyemwerera ndokuti;


“Ichokwadi, ndosaka paakazotanga kutaura
zvaakange asingade ndisina kumunzwisisa
nekuti aingotevera zvandaida without a
problem. Handidiwo murume asina
backbone, anoshandisa hasha and abuse to
change things asingagone kungotonga imba
yake zvakanaka.”

“Kureva kuti you are ready to move on with


someone else handiti?” Max akadaro
achinyemwerera akatarisa mukadzi
aitekenyedza moyo wake.

Farirai akanyemwererawo ndokuti; “Let me


think about it.” Nyemwerero iyi haina kusvika

Page | 324
kure, haina kubva mumoyo, nekuti zita rekuti
Janet rakabva rangouya mupfungwa.

Janet aizoita sei paaizoudzwa kuti


haachadiwa? Aizoita sei paazoziva kuti
akange arambirwa mukadzi
waakamborambisawo? Mukana wekutsiva
wakange wazviwisira mumaoko ake.
Aizoutora here? Kusvika papi? Waizoramba
uri mukana here kana kuti waizodzokera
kwawakabva sezvawakangoita kuna Janet.

Izvozvo zvakange zvisina basa, Janet aifanira


kumbonzwa zvaakanzwawo paakatorana
naEzekiel kusvika Farirai atodzokera
kumusha kwamai vake.

Page | 325
CHITSAUKO 17

M ax naFarirai vakazobva paConference


Center apa zuva radoka voendawo
kudzimba dzavo. Vese vakange vakazara
nenhaurirano yavo mupfungwa dzavo. Max
aifara, akange aona sekuti mukadzi akange
abvuma kudanana naye. Zvakaita kuti afunge
kuti aizopedzerana sei naJanet. Akambosiya
zvekufunga nezvaJanet, akange akazara
nerudo nerufaro rwekuve naFarirai.

Panyaya dzese dzavakange vaita mazuva ese


vachishanda vese, akange aona kuti Farirai
aikwana pane zvese zveupenyu hwake.
Farirai aizoita amai chaivo kumwana wake.
Farirai aigarobvunza nezvaamai vaMax kuti
avashanyira here, vane zvekudya
nezvekupfeka zvakakwana here. Aive
muroora aida vamwene vake, sekuda
kwaaiita amai vake.
Farirai aigadzirisa zvinhu zvemukambani MK
Media, achimubatsira kukudza kambani yake.
Page | 326
Akanyemwerera ega achifara nekusangana
naFarirai. Kana aitadza kutora makomborero
akange adonhera pamberi pake yaive
mhosva yake.

Akasvika pamba pake ndokuwana Janet


aripo. Havana zvizhinji zvavakataura nekuti
akangosvika achigeza ndokugara pasi
neLaptop yake achiti aigadzirisa mifananidzo
nemavhidhiyo ekwaakange aswera. Zvaidiwa
nevakange vamupa basa.

Izvi akazviita akagara pamubhedha, Janet


akarara padivi pake. Paakapedza kugadzirisa
zvese akabva awana Email yaibva kuna Farirai
achiti amutarisirewo report yaakange anyora
yekwavakange vashanda zuva iri. Izvi
zvakazotora nguva yakareba chaizvo,
vachifonerana nekutaura nguva yese
vachitevedza zvese zvakange zvanyorwa
naFarirai.

Musi uyu Janet akarara akavhara nzeve dzake


nemutsamiro. Matama airema nemisodzi asi
Page | 327
isingayereri nekuti aitya kubvunzwa kuti
aigochemei pasina amurova.
Max akazorara pakati peusiku papfuura.

Pazuva rakatevera mangwanani, Janet


akakurumidza kumuka ndokutanga kutsvaira
mumba achisaidzira zvinhu zvese
nekugwenderesa zvaive neruzha. Max
akamutswa neruzha urwu ndokumboramba
akanyarara akarara, asi akazoona kuti
midziyo yaizopera kuputsika, ndokutevera
kwaive naJanet.

Akawana mukadzi akabata mutsvairo


nechikorobho masofa ari pakati pemba
achitsvaira kuseri kwavo.

“Kwakanaka here? Zvaita sei kumukira


kutsvaira nhasi? Inga mumba
makangochena.” Max akadaro achipukuta
maziso aive nehope.

Janet akamira akabata muchiuno ndokuti;


“Saka ndizvo zvawakandisiira kuBreakfast
Page | 328
Meeting nezuro? Waida kuenda
ne…naFarirai? What exactly is going on
between you two? Sei pese pandinofanira
kuve newe wave kuve naFarirai?”

“Zvabva kupi izvozvo? Wazvinzwepi kuti


ndaive naFarie?” Max akabvunza
achisemburwa nekutaura nyaya iyi naJanet.

Janet akadzungudza ndokuti; “Uri kuramba


kuti maive mese kuMeeting yawakaenda
nezuro? Uri kuzvirambirei? Mazuva ekutanga
waitaura naye pachena uchiti Ms Tinarwo,
iyezvino angove ‘Farie’ handiti?”

Max akashama n’ai ndokutendeuka oda


kutosiya Janet nemutsvairo nechikorobho
zvaaishandisa.

Janet akasvetuka ndokundomira kumberi


kwaMax ndokuti; “Pama photos ese
amakatorwa ari paSocial Media maingove
mese, pamwe makatobatana maoko.
Hautonyari kuti chero awakatumira kuma
Page | 329
accounts emaConsultants ndozvamaive
makangoita? Kuzoti pako iwewe, hama
neshamwari dzedu vanoziva kuti uri kuchata
neni asi unobuda wakabatana maoko
neumwe mukadzi. Can you imagine the
embarrassment pandiri kubvunzwa nevanhu
kuti ndiani uyo vaona Farirai?”

“Hameno vanhu vaunotaura navo


vanongoona zvisina basa. Munhu ane njere
anongoona kuti that was a business
meeting.” Max akadaro.

“Ko pama videos, Farirai ndiye ega


akabvunza mubvunzo? Ndiye ega awakaisa
kubva achitanga kusimuka, kupiwa mic,
nekubvunza mubvunzo wake. Asi vamwe
waidimbura dimbura. Pana Farirai kana
answer yaConsultant haina kumboiswa yese.
Kunge wakange wakangomudzvokora
zvekutokanganwa kuti mese maive
paCamera.” Janet akafemereka dikita
rehasha, shungu, shanje nekupererwa

Page | 330
rototesa mbatya dzekurarisa dzakange
akapfeka.

“Ndotsika yako, unongoona zvinhu zvisina


maturo. Ndosaka kuronga marooro
nemuchato newe kuchinzwisa musoro. Pane
zvese zvataironga waingoona kutadzirwa
naamaiguru vako nehanzvadzi yako, pane
kuti uvatende kuti vari kukubatsira. Iyezvino
wasiyana navo wave kudzingirirana naFarie.
Zvinonetesa izvi.” Max akatsutsumwa.

“Saka unoda kuti ndinyarare kana uchindiita


zvinhu zvisingaite? You don’t care about me
anymore, you don’t care about my feelings.
Kana muchato wacho tinoronga sei
uchingogara uchitaura nemumwe mukadzi
kumba nekubasa zvese?” Janet akademba.

Max akabata musoro ndokuti; “This is not


working sha, Janet. Let’s give this a break.”

Janet akadonhedza zvaakange akabata


ndokuti; “Wati chii? What is not working?”
Page | 331
Max akanongedza Janet
ndokuzvinongedzawo ndokuti; “Us, isusu.
Whatever zvatiri kuita tese is not working.
Imboenda kumba kwenyu undogara ikoko
tigadzirise zvinonetsa usingagare pano. Uri
kure neni.”

Janet akazvikandira musofa nekuti makumbo


akange apera simba. Akabva ati; “Hauchada
kundiroora here? Hatichachati?”

Max akatarisa musikana ndokuti; “You are


not happy Janet, we are not happy anymore.
Ungade kuchata nemurume anokuitira zvese
izvi zvinokutadzisa kurara asi kukumutsa
usiku uchitsvaira nekukorobha ne stress? Ko
chinonzi red flags before marriage chiiko?”

“Saka…. Saka ndikaenda kumba kwedu


tinogadzirisana before December?
Tinogadzirisa zvese izvi mukoma Cleopas
vasati vauya?” Janet akabvunza neinzwi
raibvunda.

Page | 332
“Tinenge tichiona.” Max akadaro.

“Ko tikangogadzirisana ndiri pano nhai? Sei


uchida kugara wega? Ndiani waunoda kuti
akushanyire kana inini ndaenda?” Janet
akabvunza achiita seaidzipwa.

“We both need peace and a clear mind to


think tisiri pamwe chete. Imbodzokera
kumba kwenyu kuti tigoona kuti todii.” Max
akadaro.

Janet ndokuti; “Saka iwewe uchandishanyira


kana ndaenda kumba kwedu?”

Max akadzungudza ndokuti; “You are now


being very silly and childish, honestly. Kugara
pano pacho unenge uchingopopota
wakangotsamwa. Kuenda kumba kwenyu
kunofanira kukupa peace and rest kuti
ufareka nhai Janet. Ndiri kungoda kuti tiite
action inochinja zvinhu chete.”

Page | 333
“Ok, ndichandokumbira kubasa ndidzoke pa
lunch ndizotora zvinhu zvangu.” Janet
akadaro.

“It’s ok, tinouya tese ndozokuperekedza


kumba kwenyu.” Max akadaro
ndokumbundikira Janet ndokumusiya.
Akabva andogeza vogadzirira kuenda
kubasa.

Manheru aya, Max naJanet vakasvika


kuChisipite kumba kwana Chauke. Janet
akasvikonanga mumba make mokurara
ndokusiya amai vake vakagara neaifanira
kuve mukwasha wavo.

“Kwakanaka here kwamabva? Ndaona


mumwe wako achiita seasiri kufara.” Mbuya
Chauke vakazobvunza vaona Max
achingotaura zvekupisa kwezuva nekunaya
kwemvura.

Max akambokosora kosora ndokuzoti;


“Tange tave kuita zvemapoto amai, saka
Page | 334
tafunga kuti Janet adzoke kumba kusvika
tapedza zvese zvemarooro nemuchato.”

“Ko paakamborongedza akauyako makange


musina kutaurirana here? Zvaita sei nhasi?”
Mbuya Chauke vakabvunza.

Max akatarisa amai ava rukudzo kwavari


rwadzikira, asina hanya nekuti vaizofungei
naye ndokubva ati; “Ndakatoshamisikawo
kuti imimi maiti chii nazvo. Ndakangoona
abva kuno achiuya kuzogara neni kumba
kwangu asina kuroorwa. Ndikatoshaya kuti
ko sevabereki muri kuti chii.”

Mbuya Chauke vakarereka musoro padivi


ndokuti; “Uye kugarisana kwemapoto uku
musati mapedza zvese zvemarooro
kunosimudza mhepo.”

Max akabva ati; “Ndakuonai amai, ndange


ndaperekedza Janet.”

Page | 335
Mbuya Chauke vakati neinzwi raive pasi;
“Pane zviri kunetsa here nhai mwanangu?
Pane zvaungade kuti nditsiure Jeni?”

Max akadzungudza nemuviri wese ndokuti;


“Aiwa aiwa amai. Hapana chandinoda kuti
mutaure naJenny. Anoziva zvaanoda, anoziva
zvaari kuita. Regai takadaro.”

“Asi nhai Khumalo… Inga wa… Ko zvawa…


Aaah regai tione zvamuchataurirana muri
vaviri.” Mbuya Chauke vakadaro varembedza
miromo kunge vaizvinzwira tsitsi.

Max akasimuka ndokubuda achifambisa.


Pahuviri hwavo vakaziva kuti vaida kubvunza
kuti chii, saka akatiza vasati vapedza kutaura.

Pakangobuda Max, Janet akauya ogara


namai vake.

“Ko hanziiko nemukomana wako?” Mbuya


Chauke vakabvunza.

Page | 336
“Hanzi imbodzokera kumba tironge muchato
mumwe nemumwe ari kumba kwavo.” Janet
akadaro meso akatsvuka neshungu.

“Ko zvakagoipei? Inga chero pawakati wave


kundogara naye ndakati uchazvipa
dambudziko nekuti kwange kwatove kutizira
kwawakaita.” Mbuya Chauke vakadaro.

Janet akambotsenga tsenga mukanwa


ndokuzoti; “Hamusi kuziva zvamuri kutaura
imimi. Akuudzai kuti chii pamasara mega?”
Janet akabvunza.

Mbuya Chauke vakakwidza mapipito


ndokuti; “Angoti makabvumirana kuti
musaite zvekuchaya mapoto, ndosaka
wadzoka pano. Ange achiita seari kutishora
tese kuti sei takada kuti undogara naye asati
aroora. Muri kumbonetsaneiko mazuvano.
Kwemwedzi mitatu yese?”

Janet akabwaira bwaira, ndokuti; “Zvese


zvakangotanga three months ago, taiwirirana
Page | 337
kusvika paakazosangana na… kusvika
paakatanga kushanda na… naFarie uya mai
Mashiri.”

“Heee? Wati kudii?” Mbuya Chauke


vakabvunza vachishamisika. Dai vakange
vakamira vangadai vakadonhera pasi.

Janet akatsanangura zvekubasa kwaMax


Khumalo naFarirai Tinarwo zvaaiziva
mashandiro avo.

Akapedzisira achiti; “Vanowirirana zvekuti


Max haachina nguva neni kana nehurongwa
hwemuchato wedu. Kana paanototaura neni
ukaona akafarisa achiseka anenge
achindiudza zvavaswera vachiita kubasa
kwavo naFarirai. Ndozvaandidzingira mumba
make, kuda izvozvi Farirai atoveko.” Janet
akapedzisa kutaura hana ichirova.

Mbuya Chauke vakange vabata musoro


magokora ari pamabvi vakaterera.
Vakazotura befu rekupererwa ndokuti;
Page | 338
“Uchiri kurangarira uchiti Mashiri
nemudzimai wake vakange vagara vane
nhamo dzavo mumba mavo ndosaka
akazouya kwauri? Saka nemiwo nhasi tingati
mange magara muine zvamainetsana
ndosaka Khumalo akazomhanyira mai
Mashiri pavakangosangana?”

“Matanga zvekutsigira Farirai. Ko achiri mai


Mashiri here? Angove Farie, Farie anotaurwa
ka100 mumba maMax kubva paanosvika
kubva kubasa kusvika paanondorara. 3hrs
dzekuti 6pm to 9pm ndaikwana
nekungoudzwa nezvaFarie.” Janet akadaro
nehasha kunge acharova amai vake.

Mbuya Chauke ndokuti; “Haasisiri mai


Mashiri nekuda kwako. Dai wakarega aine
murume wake neimba yake nhasi tisiri
kutaura zvese izvi.”

“Ndozviziva mhani. Futizve ndaziva kuti


ndozvamuchataura, handiti magara muri
Team Farie. Nhasi imboitaiwo saamai vangu.
Page | 339
Mundibatsire kuti ndodii kuti muchato
wangu usaparare usati watanga.” Janet
akadaro misodzi ndokuyerera.

Mbuya Chauke vakaramba vakanyarara


vachida kuti shungu dzemwanasikana wavo
dzimbopera.

Pashure vakazoti; “Munenge muri


kuhwandirana imimi muri vaviri. Munenge
musiri kubudirana pachena nemumwe wako
Jeni iwe. Iwewe uri kuti ati udzoke pano
muronge muchato wenyu, inini anditi haadi
zvekuita mapoto. Kuna Cleopas ataura
zvakasiyana.”

Janet akavhunduka ndokuti; “Max afonera


mukoma Kile?”

Mbuya Chauke vakagutsurira ndokuti;


“Cleopas ange achibvunza kuti chii chaitika
pakati penyu, inini hapana chandange
ndichiziva. Akati Khumalo amufonera akati
vachinje dheti remarooro. Ati anoda nguva
Page | 340
yekuronga zvese marooro nemuchato.
Cleopas ati aramba achibvunza kuti anoda
nguva yakadii asi haana kutaura.”

Mbuya Chauke vakambonyarara vatarisa


Janet akange ave kupfikura kuchema.
Vakabva vazoti; “Handiti munhu anoti chinjai
dheti muise kupera kwemwedzi kana kuti
hatichakwanisi kuchata paKrismasi tave
kuchata paIsita? Chete chete. Iye atoti
Cleopas audze vemhuri yese vambomira
hurongwa hwese hwemuchato nemarooro.”

Mai vakatarisa mwanasikana wavo ndokuti;


“Pandaedza kumubvunza kuti, ko zvawaudza
tsano vako, abva atiza. Haana kuda kutaura
nyaya iyoyo neni.”

Janet akaenda mumba make mokurara


ndokundotora nhare yake. Akadzoka
ndokugara padivi paamai vake ndokufonera
Max Khumalo. Akawedzera ruzha kuti amai
vake vanzwewo zvaizotaurwa neaifanira kuita
mukwasha wavo.
Page | 341
“Jenny, ndiri busy nebasa. Pane zvawasiya
here?” Max akadaro paakangodaira nhare
yake.

“Ko waudza mukoma Cleopas kuti chii? Sei


usina kutaura neni izvozvo?” Janet
akabvunza.

“Ndavaudza chokwadi kuti hatisi kuwirirana


saka vasagadzirira zvavo muchato kana
zvekuroorana kwedu.” Max akadaro.

Janet akambogomera ndokuzoti; “Are you


breaking up with me? Are you calling off the
wedding? Uri kundiramba here?”

Max akambonyarara ndokuzoti; “All of the


above, sorry Janet.”
Pakamboita runyararo vese vachifemerana
munzeve panhare ipapo.

Janet ndokuzoti; “Wave nemumwe musikana


handiti? Uri kundirambira Farirai handiti?”
Page | 342
Max akamboita nguva akanyarara ndokuzoti;
“Ndosaka ndandokusiya mumaoko amai
vako, Janet. Handidi zvekunetswa
nemibvunzo isina basa. Zvawaudzwa
nehanzvadzi yako ndizvozvo, hakuchina
marriage yedu kana muchato wedu.”

“Max please. Rega timbosangana titaurirane


futi.” Janet akademba.

Max akambofema zvavakanzwa vese


ndokubva ati; “Sorry Janet, I cannot do this.
Bye.” Nhare yakabva yanyarara.

Janet akaedza kufona zvakare ikarira kusvika


yanyarara isingapindurwe. Akaedza kepiri
bva hapana akadavira. Paakange oda kuedza
ketatu, amai vake vakabva vamubvutira
nhare yake.

“Chimusiya nhai Jeni. Inga akubudira


pachena kuti nezvenyu hapachina.” Mbuya
Chauke vakadaro.
Page | 343
“Aiwa mhamha, ndofanira kutaura naye.
Ndofanira kuti timbotaura zvakare
tionesane.” Janet akachema chema.

Mbuya Chauke vakabata rushaya ndokuti;


“Uchamuda mukomana ambokuramba
akaudza hama dzako kuti haachada
kukuroora? Dai kwange kuri kunetsana
kwenyu mega, angadai asina kuwana simba
rekufonera hanzvadzi yako. Zvino zvaawana
simba rekufonera baba vemusha wedu,
munhu anozogamuchira pfuma yake, unoti
pane zvichachinja ipapa?”

Janet akamboramba akanyarara ndokuzoti;


“Mhamha, ko mukataura naFarirai?”

“Hezvo, kutii?” Mbuya Chauke vakaramba.

“Kuti asiyane nemurume wangu nhai


mhamha. Kana Farirai akarega kutaura
naMax, Max anobva adzoka kwandiri.
Anenge asisina kwekuenda.” Janet akadaro.
Page | 344
Mbuya Chauke vakadzungudza ndokuti; “Ko
iwe une chokwadi here kuti vari kudanana
kana kuti ndezvemusoro wako? Pamwe
vanongoshanda vese, asi nekuda
kwezvawakaita iwewe wave kungotadza
kugarisika. Wave kungomhanya pese pese…”

“Aiwa mhamha, ngatiedzei zvese.


Ndinochata muna December inini. Inga vana
babamudiki nanatete vakatoudzwa kuti
ndinochata. Muchiri kuziva kuti Max aida
kuroora muna September? Saka tinochata
chete muna December.” Janet akadaro.

Mbuya Chauke vakabata Janet ruoko


ndokuti; “Chimboenda undorara Jeni wena.
Kurara chaiko nekumbozorora kwepfungwa
kunobatsira. Kubuda kwezuva kunounza
pfungwa itsva nemaonero matsva.
Ngatindorara, tofuma tichiita zvitsva
mangwana. Iyezvino hapana chatinoita
uchine shungu dzakadai.”

Page | 345
Janet akasimuka ndokuenda mumba make
mokurara chinyararire.

Page | 346
CHITSAUKO 18

P asvondo
weMugovera
rakatevera, waive
mangwanani,
akafuma achinzwa musoro nekufunga uye
musi
Janet

nekusarara. Akatarisa nguva ndokuona 9


dzamangwanani dzichangochaya. Vhiki
yakange yatokwana Max asina kutaura naye,
kana kumutsvaga kana kupindura
paaimufonera kana kumutumira mameseji.
Akatanga kuona kuti vakange vasisiri vese,
mazuva akange achitofamba kuparadzana
kwake naMax kuchitokura nhai. Hana yake
yairova paaizvifunga.

Vemhuri yakewo vakange vasingachataura


nezvemuchato wake. PaWhatsApp Group
raive nehama dzake dzaimubatsira kugadzira
muchato, pakange panyararwa.

Nedzimwe nguva ainzwira hanzvadzi yake


Cleopas hasha. Dai akange angobvuma kuti
muna Sepetember macho pfuma itambirwe.
Page | 347
December kwaizoitwa muchato wega.
Nyangwe dai muchato wairegwa asi ainge
atove Mrs Khumalo. Zvino ndiye akange ati
zvese zviitwe pamwe chete aripo, zvino zvese
zvakange zvapepereswa nemhepo. Pakange
pasisina marooro, pasisina muchato uye
murume wacho pasisinazve.

Mangwanani aya akamuka achirwadziwa


zvakanyanya nekuchinja kwakange kwaita
upenyu hwake asingatarisire. Akatora nhare
yake ndokufonera Farirai Tinarwo.

“Hallo Janet, uri sei?” Farirai akadavira nhare


yake achidaro.

Janet akamboshaya zvekutaura, akange asina


kufunga kuti Farirai aive nenhamba dzake
dzenhare. “Oh, sisi Farirai, muchine my cell
number?”

Farirai akaseka ndokuti; “Aiwa ndinoiziva


zvangu nemusoro, number iyi

Page | 348
yakambondichemedza. Kwakanaka here
wandifonera?”

Janet akambobwaira bwaira achishaya


zvekutaura ndokuzoti; “Ndaita problem
naMax, I know munowirirana chaizvo….”

Janet akambonyarara, aida kuti Farirai


ambopindura asi Farirai akaramba
akanyarara akaterera; “Sisi Farirai, please,
ndinokukumbirisai neMweya waMwari. Pane
zviripowo here pakati penyu naMax kana kuti
munongowirirana chete?”

Farirai akanzikwa kushamisika ndokuti; “Ko


Ezekiel haana kukuudza zvandakataura here?
Inga wakamutuma kwandiri kare kare, chii
chichiri kukunetsa?”

Janet akambomedza mate, nyaya yavaitaura


yaimuomesa mate mukanwa mese. “Akati
chii Max? Akakuudza here nezvemuchato
wedu? Ari kuti chii?”

Page | 349
Farirai akaseka ndokuzoti; “Zvaita seiko nhai
Janet? You of all people ndiwe unonyatsoziva
wani kuti nyaya dzakadai unotongobvunza
murume wako. Ko isuwo vekunze tinei
nazvo?”

Janet akamedza mate ndokuti; “Ok, thanks.”


Nhare ndokunyarara.

Janet akapunyaira achienda mumba


mekubikira makange makagara amai vake.
Akasvika ndokuti; “Mhamha tauraiwoka
naFarirai waEzekiel.”

“Ndotaura naye kuti chiiko nhai?” Mbuya


Chauke vakabvunza vasinganzwisise
zvaidiwa nemwanasikana wavo.

“Kuti asiyane naMax. Kana mukataura naye


imimi anokunzwai. Uyezve tinobva
tanyatsoziva kuti Max ari kufungei uyezve ari
kurongei. Nguva iri kufamba mhamha,
muchato unofanira kuitika muna December.

Page | 350
Whatever zvaari kuita Max ngatisaregerai
zvichienderera.” Janet akatsanangura.

Mbuya Chauke vakatora nhare yavo


ndokubaya nhamba dzaFarirai. Vakataura
kwenguva shoma ndokunyaradza nhare
ndokuitsveta patafura. Janet akange
akavhura maziso achida kunzwa kuti amai
vake vakange vataurei naFarirai.
“Ndange ndamuti auye pano, akaramba. Ati
tisangane mutown paChicken Hut palunch
hour anenge apedza basa.” Mbuya Chauke
vakadaro.

Janet akagutsurira ndokuramba akanyarara.


Vese vakafunga musi wakauya Farirai kumba
kwavo achizotaura zvavaidawo kutaura naye
nhasi. Muchinyararire, vakazvinyaradza
nekuti Farirai akange asina kuoma moyo, uye
aisataura mashoko anorwadza.

Janet akasimuka ndokusiya amai vake vega,


akange asingade kuti vataure zvakawanda
vasati vataura naFarirai. Akange asingade
Page | 351
kuti vataure kuti ko kana Farirai
akandopindura semapindurire akange
amboita Janet musi waakabvunzwawo
nezvemurume wake, vaizodii? Aiwa Farirai
aisadaro.

Masikati emusi uyu, mai nemwana


vekwaChauke vakasvika paChicken Hut
Restaurant ndokuwana Farirai avepo akagara
ega. Mbuya Chauke naFarirai vakamboseka
vese vachiita twunyaya nhando, asi Janet
akaramba akanyarara akatsikitsira.

Mbuya Chauke vakazoti; “Mwanangu mai


Mashiri, tauyawo kuti tizonzwisisana
semadzimai. Mambotaura mese makuseni
handiti? Ndiyo nyaya iripo wena. Janet ari
kufunga kuti iwewe une chekuita nekuchinja
pfungwa kwakaita murume ange ave kutoda
kumuroora.”

Farirai akatarisa Janet nemaziso


aimusveverera nekumuti ‘nhasi
ndazokuwana’, ndokuti;
Page | 352
“Ko zvamunoitirana kumba kwenyu zvinei
neniwo zvangu? Wakambondiona kumba
kwenyu kana kwaMax? Ndiwe Janet
unofanira kunyara, haunyare kundivinga
iniwo zvangu kuzoshambadza kusadiwa
kwako neboyfriend yako? Haunyare
kuzondiudzawo inini zvangu
ndakatorambwawo newangu murume, kuti
murume wakowo ave kusemeswa newe?
Haufanire here kuenda kwatete vako
vandokudzidzisa kuti murume anobatwa sei,
or better still, bvuma kurambwa. Hauchadiwa
chibuda muupenyu hwake. Ndimi type
yevakadzi inokonzeresa abuse
muchizvinamira pamusingadiwe.” Farirai
akadaro akatarisa Janet mumaziso.

Mbuya Chuke vakabata musoro ndokuti;


“Maiweee maiwee! Nhai mai Mashiri
mwanangu! Yoweee yoweee! Haasi mashoko
ako aya. Ko wange uchiri kuziva mashoko ese
aya nanhasi? Akakurwadza chaizvo zvekuti

Page | 353
hausati wakanganwa? Hausati waregerera?
Wabva wataura nemo nemo kudaro?”

Mbuya Chauke vakatarisa Janet ndokuti;


“Uchiri kuziva mashoko andakakuti haasi
ekuudza mumwe mukadzi aya mwanangu?”
Vese vari vatatu vakambonyarara.

Janet akashingirira ndokuti; “Sisi Farirai, I am


so sorry. Ndiregerereiwo zvese zvandakaita,
kwaive kusaziva. Ndaitoti ndozviri
muupenyu. I have learnt the hard way.
Ndinokumbirawo kuregererwa nemi, please.”

Farirai akambobata kumeso ndokuzoti; “Dai


makange mawirirana naEzekiel, makaroorana
muchigara mese izvozvi, waizondikumbira
ruregerero here?”
Janet haana kupindura.

“Ko naMax wako uyu, dai ange asina kukusiya


sezvaunofunga kuti ndini ndakonzeresa,

Page | 354
waimbonditsvaga here?” Farirai akabvunza.
Vese amai nemwana vakatsikitsira
vakanyarara.

Farirai ndokuti; “Saka ngatisiyanei nema fake


apologies ayo. You are not sorry and you
were never sorry, you were unapologetic
kubva day 1. Taurai zvimwe.”

Mbuya Chauke vakabva vati; “Mwanangu mai


Mashiri, ndinokuziva inini. Hauna mwoyo
wakaoma, hauna hunhu hwekutsvaga
mufaro nemisodzi yavamwe.
Chingomunzwirawo tsitsi Jeni uyu. Uzviite
nemoyo wako wakarurama kwete nekuti
pawakarwadziwa wakadzidziswei saka
wotsiva. Inga Mwari vakakunyaradza
nekukukomborera wani pawakabva
kwaMashiri?”

“Aiwaka mhamha, mumaziso aJanet uyu ndiri


wardrobe yamunywa nemujuru. Ko

Page | 355
mumaziso aMax ndiri chii?” Farirai akadaro
akatarisa Janet mumaziso.

Janet akatsikitsira hana ichirova


nekurwadziwa.
‘This woman is a gem. This woman is beauty
with brains. She is a lady of class. Ukaita
partner yakadai you go places… I mean a
business partner. Farie would easily
understand this. Farie haanetseke kunzwa
nekunzwisisa, kana ndinaye ndinotaura
chinhu kamwe chete, and we move… Farie is
just something else….’
Janet akanzwa inzwi raMax richitaura
pamusoro paFarirai, ndozvaitaurika mumba
mavo zuva nezuva.

Mbuya Chauke ndokuti; “Aive mazuva


ekusaziva mwananguwee. Chinzwawo
kudemba kwangu inini mwanangu.”

Page | 356
Janet ndipo paakazoti; “Chokwadi inzwaiwo
kutaura kwaamai vangu, inga munowirirana
wani.”

Farirai akafinyama ndokuti; “Sei uchida kuti


nditerere amai vako asi iwewe mwana
wavakazvara wakatadza kuvaterera? Ndine
chikwereti nemi mese chechii chekuti
munotarisira kuti ndiite zvamunoda? Sei
muchitarisira kuti ndivake musha wenyu asi
wangu makaputsa? Munodherera handiti?”

Vese vakambonyarara, Farirai ndokuzoti;


“Uyezve sei muchifunga kuti ndine chekuita
nekurambwa kwako iwe Janet? Max is just a
good friend and workmate. Akangondiudza
zvawaimusvota, sezvakangoita Ezekiel kwauri
gore riya, iwe ukamubatsira nekuita pfambi
yake. Max paakataura nezvako
ndakakunzwira tsitsi, I encouraged him to
sort things out with you. Kusvika
pawakazotuma chikomba chako to me, to

Page | 357
give me ideas. Ndikabva ndawana mukana
wekuti unzwe zvawakambondinzwisa. Kuda
mese mungasiyana neni zvachose.”

“Riinizve? Zvakaitika riinizve? Jeni naMashiri


vakadiizve?” Mbuya Chauke vakashamisika.

“Oh hamuzvizive? Janet naEzekiel vachiri


kufunga kuti vanokwanisa kundiudza
zvekuita neupenyu hwangu. Havasi kuona
kuti nguva yakafamba, zvinhu zvakachinja.”
Farirai akadaro.

Mbuya Chauke vakatarisa mwanasikana


wavo ndokuti nezevezeve; “Ko wange
wotsvageizve kuna Mashiri?”

Janet akatarisa Farirai ndokuti; “Vakoma


Farirai, I am sorry kana kutaura kwangu
naEzekiel kwakabuda zvisina kunaka. Asi
chokwadi ndechekuti inini naEzekiel
hatitombotaudzani. Ndakangomukumbira

Page | 358
kuti akubvunzei kuti chii chaive pakati penyu
naMax. Hatina zvimwe zvatinotaura tese kana
cell number yake handina, ndakatoita
zvekuenda kubasa kwake.”

“Eheka makangoenderera mberi


nekunditaura sezvamaiita muchifeva mese
muchindiseka ndakagara mumba mangu
handiti? Ndozvamuchiri kuita nanhasi,
almost three years later? Shameless people.”
Farirai akabvunza.

Janet akadzungudza ndokuti; “Aiwa sisi Farie,


Ezekiel haana kukubvunzai sekundibatsira,
aitoitirawo zvake. Handiti mange
muchitaurirana kuti mudzokerane here? Saka
aitodawo kuziva kuti chii chiri kuitika
pamukadzi wake.”

“Ndomudiiko murume asina backbone


anoenda kwaenda mhepo? How do I know
kuti hamudzokerane futi sezvamakamboita?

Page | 359
Iyezvino handiti hauchina murume? Dzokera
kuna Ezekiel. Kana iye Max wako, enda
undotaura naye zvakanaka, kwandiri Max
naEzekiel vakafanana, vanoenda kwaenda
mhepo.” Farirai akadaro inzwi rakwira.

Mbuya Chauke ndokuti; “Saka uri kuti


haudanane naKhumalo here? Haana
kumbokupfimba? Saka sei akaramba Jeni?”

“Sei muchitaura kunge Khumalo wacho


akafa? Haako here? Ko mubvunzeika nhai.”
Farirai akadaro achiseka nekusvotwa.

Nhare yaFarirai yaive patafura yakarira, vese


vakaitarisa ndokuona zita raMax
richibudikira. Farirai akangonyaradza nhare
ndokuiisa muhandbag make. Pakamboita
runyararo rwairwadza vese vari vatatu.

Janet akambomedza mate ndokuzoti; “Sisi


Farie, murume wangu akangotanga kusafara

Page | 360
neni pamakatanga kushanda mese. Uyezve
ange ogara achingotaura nemi paPhone,
kana kuti achingotaura nezvenyu. Saka kana
mukamuudza kuti hamunei naye anodzoka
kwandiri.”

Farirai akashama muromo ndokuseka


zvakagumira munzira ndokuti; “Uri kunzwa
zvauri kutaura? Anyway handinei nezvaiitika
kumba kwenyu. My advice
seyawakambondipawo ikandibatsira, Janet.
Hakuna munhu wemunhu, vanhu
ndevaMwari. Musi wandakanzwisisa izvozvo
ndakarongedza mabhegi angu ndikaenda
kumba kwaamai vangu, and never looked
back. Do the same.”
Farirai akadaro ndokuita seakange ave kuda
kusimuka, asi akangotarisa nguva
ndokuzoramba akagara.

Page | 361
Mbuya Chauke vakazvirova maoko ndokuti;
“Watiomesera mwanangu mai Mashiri.
Handina kufunga kuti ndozvawave kudai.”

Janet akange achimonya muromo


nekutsvaga simba kuti misodzi isabude
akatarisana naFarirai, akabva ati; “Saka
haumude Max asi uri kungoda kutsiva chete?
This is a game to you? A game of revenge?”

Janet akatarisa amai vake ndokuti; “Mhamha


mazvinzwa here zvese zvaange achitaura
mukadzi uyu? Zvese kwange kuri kungoti
ndinzwe zvaakambonzwa pavakarambana
naEzekiel.”

Farirai akatarisa Janet ndokuramba


akanyarara. Janet ndokuti; “Ko ndaifunga kuti
kusataura kwawakaita kuna Max kuti
tinozivana, kwaive kuratidza kuti we have all
moved on. Asi ndave kuona kuti kwaive
kundiomesera kuti ndigotaura ndega nyaya

Page | 362
iyi kuna Max handiti? Yaive punishment kuti
everyday muchishanda mese inini
ndichingofunga kuti kuda nhasi wamuudza
kana kuti uchamuudza mangwana. Haa inga
unogona kutsiva chaizvo.”

Mbuya Chauke vakabata Janet ruoko


ndokuti; “Ko tatopedza kutaurirana here? Mai
Mashiri ange achingotaura shungu dzake
chete. Rega timupe mukana akubatsire
zvaunoda kuna Khumalo.”

“Ndaneta nekungoita sorry isina anoterera


inini mhamha. Asi Max wacho ngaazive kuti
munhu waari kundisiira is just on a revenge
mission, nothing else.” Janet akadaro
neshungu.

Farirai akadzungudza ndokuti; “What a waste


of time. Ndimi mhamha Chauke maita kuti
ndiuye pano. Janet will never change. It’s now
convenient for you kuudza Max kuti waive

Page | 363
pfambi yakaparadza imba yevamwe vanhu,
just to get back at me. Asi wakange
wakazviviga kuti uchengetedze relationship
yako yawakaparadza wega futi. Iyezvino
relationship iya hapachina you leave a trail of
heartbreaks and broken people behind you.
Wakaoma hako, then unoshamisika kuti sei
zvako zvese zvichigumira munzira.”

Janet akabwaira bwaira, Farirai ndokuti;


“Unlike you, handisi kuzokuudza zvaitaurwa
naMax zvakaita kuti akusiye. Asi kushata
kwemoyo wako, kufarira kuchema
kwevamwe is one thing that will continue
chasing people who love you away from you.
Bvunza amai vako vakuudze zvauri. Kana
vakataura uvaterere, kwete kutarisira kuti
vana vevamwe vaterere amai vako
vausingaterere iwewe.”

Farirai akasimuka ndokuti kuna mbuya


Chauke; “Sorry to disappoint you nhasi. Asi

Page | 364
ndofunga mazvijaira zvekutaura
musingatererwi.” Akabva abuda ndokusiya
amai nemwana vari vega.

Farirai akandogara mumota akamirira Tarisai


waaifanira kusangana naye panzvimbo iyi.
Tarisai akasvika ndokugogodza pahwindo
remota ndokuti; “Ko handeika mukati
tindodya, ndanyanya kunonoka here?”

Farirai haana kupindura, akangoratidza


Tarisai kuti aida kuti apinde mumota
vagaremo vese.

“Ko zvaita sei? Sei kuratidza kuneta? Kunge


makatsamwa, kunge mabva kurwa nevanhu.”
Tarisai akabvunza achiongorora mukoma
wake.

“Ndaita a very silly and unnecessary


exchange of words naJanet Chauke namai
vake. Ezekiel… or rather, my divorce, has

Page | 365
brought the worst out of me.” Farirai
akadaro.

Tarisai akatadza kunzwisisa nyaya yakange


yatangira pakati iyi, akati; “Ko why? Zvaita
sei?”

Farirai akaswededza chigaro kumashure


ndokugara akaita seakarara ndokuti; “Nyaya
yacho iwe, yazokurisa kupinda zvandange
ndichifunga. Apparently, Max broke up with
Janet and she thinks I am responsible.”

“Ko imimi maita sei?” Tarisai akabvunza


achiedza kubatanidza nyaya.

Farirai akaedza kuseka ndokuti; “Ko unoti


mbavha inoda kubirwa here? Max had
genuine concerns pamusoro pemusikana
wake, asi hameno, vakatadza kutaurirana.
Janet thinks ndini ndakange ndopiwa
attention yese ndosaka murume
akazomusiya.”
Page | 366
“Anopenga, ari kufunga kuti zvaakaita kuna
bamukuru Eze, ndozvamakamuitirawo?”
Tarisai akadaro.

Farirai akaramba akanyarara, Tarisai


ndokuseka akatarisa mukoma wake ndokuti;
“Asi ndozvakaitika? Hee? Sisi Farie,
makaitei?”

“I am not innocent in all this. I enjoyed the


attention and I enjoyed the company. The
late night chats were amazing. Asi ndakange
ndisingafunge zvekudanana naye. Vese
Ezekiel naJanet vakazongokanganisa kutaura
kwandiri and I found a chance to revenge. I
led the guy on and he broke their
engagement. Now I feel bad about this whole
thing, especially iyezvino ndabva kutaura
naJanet namai vake.” Farirai akatsanangura.

Tarisai akange akaterera achiseka,


kushamisika nekupererwa achinzwa nyaya iyi.

Page | 367
Farirai ndokuti; “Stress yerudo yakaoma, I saw
myself in her…”
Farirai akambogomera ndokuti; “Unoona
stress yerudo ichibvanyangura bvudzi,
unoona bvudzi richimira rega risina kubatwa
so.” Mukoma nemunin’ina vakaseka nhamo
serugare.

Farirai akapukuta kumeso achifunga


zvaaimbonzwa mazuva aakambopfuura
nemumoto wakadai.

Tarisai ndokuti; “Saka mapedzerana kuti chii?


Azvizivaka Janet kuti mange muchida
kungomudzorera zvaakatanga?”

“Ndopaita dambudziko rangu ipapo. Ndange


ndichifunga kuti nyaya ichapera ndichifara
kuona Janet achirwadziwa sekundirwadzisa
kwaakaita. Asi hazvisi kundifadza. Ndiri
kumunzwira tsitsi. Hazvina kuunza
satisfaction and closure yandange ndichida. I
was not supposed to be involved in all this.”
Farirai akadaro.
Page | 368
Tarisai haana kupindura, Farirai ndokuti; “The
worst is, ndichiona kuti this is the end of the
game, handichada kusiyana naMax wacho.
Pandaizviita ndaisamufunga, yaive game
yangu naJanet. Asi iyezvino… Max, I care
about him. My worry is, ko kana akazoziva
kuti I just led him on to irritate Janet?
Obviously Janet wacho achatomuudza, she is
that type yekuti akasawana zvaanoda kwauri
anokutuka, ndozvaatondiita after her fake
apologies.” Farirai akadaro achidzungudza.

Tarisai akange abata muromo akashama


ndokuti; “Sisi Farie, so you love Max?
Zvemashuwa shuwa?”

Nhare yaFarirai yakarira, ndokuona ari Max


aifona. Farirai akatadza kuipindura
ndokuisiya yakadaro.

Tarisai akaseka zvekupererwa achirova


maoko ake ndokuti; “Sisi Farie, saka muchaita
sei?” Akaseka zvakare ndokuti; “Ende hazvina
Page | 369
kumbokufitai, chokwadi mereji inochinja
munhu.”

Farirai akakwidza mapipito ndokuti; “Hapana,


ndiwo mamwe ma feelings ekungosiya
akadaro kusvika afa ega.”

“Aaaah why? Ko kana muka…..” Tarisai


akaedza kutaura ndokudimbudzirwa.

“Usatombofunga zvakadaro. Handei kuSpice


and Grill tindodya. Nyaya dzevarume
dzinotemesa musoro.” Farirai akadaro ave
kumutsa mota.

Tarisai ndokubuda oenda kumota yake,


vakabva panzvimbo iyi vakadungamidzana.

Page | 370
CHITSAUKO 19

P aRainbow Uniforms, vakuru vese


vekambani, Board Members, Investors &
Managers, vakange vari muBoard Room
mavo. Marketing Manager wavo Farirai
Tinarwo aivaratidza basa raakange ashanda
kwemwedzi yakange yapfuura achibatsirwa
neveMK Media. Vese vakafarira zvavaiona,
designs, logos, videos & adverts.

Pashure peizvi pakaitwa nhaurirano


yakareba, yaive mibvunzo nemhinduro
zvaipindurwa naFarirai naMax. Pashure
mumwe nemumwe wevaivemo akazotaura
maonero ake. Vairumbidza zvakange
zvavanakira uye kugadzirisa zvaida kuti
zvishandurwe.

Musangano uyu wakazopera nguva


dzekudya dzichisvika. Cecilia akaunza chikafu

Page | 371
chavo vese ndokugara vachidya. Vaishanda
apa vakadzokera kumahofisi avo vondodyira
ikoko, vamwe ndokusara vakagara muBoard
Room.

Max akatevera kuhofisi kwaFarirai


ndokundogara vari vaviri vodya kudya
kwamasikati. Vakabva vavhara musuwo wavo
sezvo dzakange dzisiri nguva dzebasa.

“We nailed it. Everyone was impressed. We


are a great team Farie, I wish we could do
more projects together.” Max akadaro
achifara zvakanyanya.

Farirai akanyemwerera ndokuti; “Handisati


ndamboona MD vachifara zvakadaro. Vange
vakagara vakapeta maoko vakaterera kunge
vange vachiona Movie. Kazhinji
mumisangano yakadai vanonyora
zvakawanda wanda vozotanga kubvunza

Page | 372
mibvunzo isingapindurike. Takagona
zvechokwadi.”

“Kana the few corrections we received, it was


an oversight on our part. Zvishoma uyezve
hazvinetse kungowedzera pane zvatagara
tinazvo.” Max akadaro.

Vakambonyarara vachifunga zvakange


zvaitika mumusangano wakange wapfuura,
Max ndokuzoti; “Yapera Project yedu, asi
hukama hwedu hauna kupera. Basa iri
rakatibatanidza chaizvo, I found a good
friend in you Farie.”

Farirai akatarisa murume achibvumirana


naye. Max ndokuti; “Hakuchina muchato
wangu naJanet. Aimbondinetsa achiti
ngatitaurirane asi pange pasisina zvekuti
tingarambe tichitaura. Asi chinondishamisa,
pandakaudza hanzvadzi yake, akakurumidza
kundinzwisisa. Kuita sekuti aitozvitarisira.”

Page | 373
“Are you sure you are on the same page with
Janet? Are you sure zvauri kufunga ndozvaari
kufungawo? Maybe iwewe you have moved
on asi iye asina.” Farirai akadaro.

“Why do you care kuti Janet anofungei? I saw


your ex-husband that one day paSam Levy. I
don’t care zvaanofunga about you, and I
should not even be involved kuti muri
kutauriranei. If you choose me over him, then
it’s fine with me. Pana Janet, do the same, it’s
not like she was your friend and we are
betraying her. Do you know that dai asina
kuuya ku lunch musi uya musingazivane
nanhasi? So leave my former relationship to
me, I will handle it in my own way.” Max
akadaro akabata maoko aFarirai nepamusoro
petafura.

Farirai akahutisa miromo achiedza kutaura


asi mashoko ese akaperera pamuromo pake.

Page | 374
Max ndokuti; “Let’s talk about us. Wakati
iwewe uchiri kufunga nezvedu, I am just
wondering what exactly are your
considerations. Chii chauri kufunga? What
are your fears? Or rather concerns? Or
considerations?”

Farirai akati; “Kungoti wave kutanga zvimwe


zvitsva asi uchiri kutaura newawakarambana
naye, hazvisi kundiitira zvakanaka. Hapafaniri
kunge pane some unfinished business
somewhere.”

“Wange uchirongei na ex-husband wako?


Ndini here ndakatadzisa reconciliation
yenyu? Did I interrupt a potential happy
family?” Max akabvunza.

“Handina nyaya naEzekiel, takapedzerana.


Iwewe ndiwe une nyaya dzako na ex wako.”
Farirai akadaro.

Page | 375
Max akadzungudza ndokuti; “I wonder why
you keep on talking about her. I actually
regret why I introduced you two. Chete
ndakange ndisingazive kuti taizosvitsana
pano newe. Asi ndaingoziva kuti naJanet
hapana kwatakange tichiri kuenda tese.”

Farirai akange ave kudzipwa nenhaurirano iyi


akabva ati; “Slow down Max, inini newe hatisi
in any relationship. Kuve kwedu masahwira
kwakanaka, ngatisakanganisai izvozvo.”

Max akagutsurira ndokuti; “I get you, I will be


patient with you. Time will give us what we
want. Asi gara waziva kuti I want more,
handidi kuve shamwari yako, saka usazouye
uchindiudza kuti pane ari kukupfimba.” Vese
vakaseka vachiwedzera kubatana maoko ese,
pamusuwo ndokugogodzwa nekuvhurwa
nguva imwe chete.

Page | 376
“Farie…. Oh Max uri muno, ndange ndichiti
waenda…” Mai Phiri vakadaro
ndokumbotarisa vaviri ava vakange
vakabatana maoko.

Vakazotarisa Farirai ndokuti; “Ndine report


yekuMining yandinoda kuti uzotarisa nhasi
before knock off time.”
Farirai asati apindura, vakavhara musuwo
sezvavakange vawana uri ndokuenda.

Farirai naMax vakatarisana ndokuseka


nemanzwi aive pasi. Farirai ndokuti; “Eish,
chienda iwewe. Tave kuita sepane zvatiri
kuita muno. Waona matarisiro avatiita
nemaziso ane mibvunzo.”

Max akasekawo ndokuti; “Rega ndipfuure


nemuOffice mavo ndichivakwazisa
ndichienda.”

Page | 377
Max akasimuka ndokuti; “Saturday unenge
uchiitei? We can go for drinks. I enjoy
spending time with you.”

Farirai akanzvengesa maziso ake ndokuti;


“Hameno kana ndikawana nguva, ndichaona
kana ndisina family commitments.”

“Be my consultant, tinozotaura zvebasa


chete. Kana ndichitanga new projects
ndinoda kuve outdoors and also be with
someone with good brains like you. I will pay
you for your time and ideas.” Max akadaro
vese ndokuseka.
Farirai akapotsa abvuma asi akafunga
kechipiri ndokuti; “Ndati ndichakuudza musi
weMugovera wacho. Bye Max.”

Max akanyemwerera ndokufamba


nenhendeshure vakatarisana achibuda
muhofisi maFarirai. Akabva ananga kuhofisi
kwamai Phiri.

Page | 378
“Just the man I wanted to see, come in
mwanangu. Gara apo ndipedzise kusaina
macheque evanhu vawane mari dzavo.” Mai
Phiri vakadaro, Max ndokugara pasi.

Mai Phiri vakapedza zvese zvavainyora nyora


ndokudaidza Cecilia uyo akazotora faira
ravaishanda.

“I just want to say thank you. Pane zvese


zvatakashanda tese kwemakore ese, I can say
this is the best project you have delivered.
Wakaigona chaizvo.” Mai Phiri vakadaro.

“You marketing manager is the best, she


knows her stuff. She is also an excellent team
player.” Max akadaro.

Mai Phiri vakanyemwerera nemaziso aive


nemibvunzo ndokuti; “Mese makaisa a lot of
hard work and extra time on this project. So

Page | 379
many times ndichikuonai around town muri
mese, at different entertainment areas.
Zvaive zvichiri zvebasa here?”

Max akaseka seka ndokuti; “Besides being


good team mates naFarie, we became best
buddies. I like her.”
“Oh ok, nekuti Janet akandifonera achiti you
broke your engagement, ndizvo here?” Mai
Phiri vakabvunza.

Max akapotsa aridza tsamwa ndokuzofunga


kuti Janet wekupopotedzana naye akange
asipo. Akabva ati; “What exactly did she say?”

Mai Phiri ndokuti; “Akangoti nditaure newe


nekuti hauchada kuronga muchato wenyu.
Apparently, nekuda kwekushanda kwauri
kuita pano nevanhu vepano vauri kushanda
navo. It did not make sense to me at that
time. Asi pandakazoona tsika nditsikewo

Page | 380
yako naFarirai, ndakangofunga kuti kuda
ndizvo zvairehwa naJanet.”

“Tine zvakawanda zvataitadza kunzwisisana,


inini naJanet. Hapana kana third person
akakonzeresa. Kana pandakataura
nehanzvadzi yake akandinzwisisa. So we
broke up.” Max akaedza kutsanangura.

Mai Phiri vakagutsurira ndokuti; “It’s fine


mwanangu, as long as you are happy. It’s just
that kashoma kuti vanhu vanyatsorambana
chaiko. Vanhu havarambane, pane
anotorambwa agorwadziwa nazvo. Agoita
nguva achingofunga kuti dai tadzokerana.
My worry is, ndini ndega here ndakafonerwa
naJanet. Heartbreak inoitisa munhu dzungu,
anogona kufonera all your business contacts
and tarnish your image.”

Page | 381
Max akagutsurira zvinyoro nyoro ndokuti;
“Ok, ok, ndichambomunzwa kuti aida kuti
muite sei.”
“Otherwise best wishes, uwane mukadzi
waunoda nemoyo wese.” Mai Phiri vakadaro.
Max akaoneka ndokubuda oenda.

Akasvika ndokumbogara mumota make


achifunga zvakange zvaita Janet. Akaita
hasha dzakambomutadzisa kumutsa mota
asi akazvidzikamisa.
Masikati aya, Max paakangopinda muhofisi
make, akabva afonera Janet.

“Max, nice to hear from you. Uri kuOffice


kwako?” Janet akapindura nhare achidaro.

“Yes, ndiri muOffice. Ko waka…” Max akaedza


kubvunza ndokudimbudzirwa.

“Ok, ndipe 5minutes, ndiri padhuze neOffice


yako.” Janet akadaro nhare ndokunyarara.

Page | 382
Mushure memaminitsi mashanu
zvechokwadiwo, Janet akange ave
pamusuwo pehofisi yaMax. Musikana
akapinda achinyemwerera chaizvo.

“Dai waiziva kuti ndange ndakamirira


kufonerwa newe sei, ndafara hangu kuona
‘My love calling.’ Kana cellphone yangu yange
yasuwa kunzwa kubva kwauri.” Janet akadaro
achigara pasi akatarisa Max.

“Janet, sei usiri kubvuma kuti hatisisiri tese?


Iwewe neni takasiyana, hatichadanani.” Max
akadaro.

Janet akambopererwa, kusekerera kwese


kuchipera ndokubva ati; “Ko ndaifunga kuti
pane zvawakagumbukaka ini. Watozoshinga
kundinyadzisa kuhama dzangu dzese here
nhai?”

Page | 383
“That is your problem, I even doubt kuti
wakatombondida here. Zvinhu zvako zvese
unoitira vanhu. Zvese zvese kungoti vanhu
vanoti chii. Ko iwewe uri kuti chii pamusoro
pevanhu? Do they care? Zvaunotuka vanhu
everytime ndozvave kukushungurudza
uchifunga kuti vari kukutukawo saizvozvo.”
Max akadaro.

Janet akambopererwa achifunga kuti saka


akange afonerwa kuti audzwe kuti chii.
Paakange oda kubvunza, Max akabva ati;
“Ndange ndafona nekuti ndine nyaya, asi
wabva wangouya pano, handina
kukudaidza.”

Janet akaramba akanyarara akaterera, Max


ndokuti; “Ko sei wakafonera Mrs Phiri
ukavaudza nezve relationship yedu? Waida
kuti vaite sei?”

Page | 384
“Aaaah? Vakuudza? Saka she supports
kurambana kwedu? Saka vari kufarira kuti
uve naFarirai?” Janet akadaro asina mufaro.

“Wakavati chii? Nekuti havana kumbotaura


zvese izvozvo.” Max akabvunza ave
kushamisika nezvakange zvotaurika.

Janet akabwaira bwaira ndokuti; “Hooo, aaah,


ndaiti vataure newe. Vataure nemushandi
wavo kuti asaparadza relationship yedu.”

Max akaridza tsamwa ndokuseka nehasha


ndokuti; “Who else wawakaudza kuti hatisisiri
tese? Hausi kuona kuti uri kutaurisa here?”

Janet akatsikitsira ndokuti; “Ndakangoudza


mai Phiri, nema cousins angu kuti vataure
newe…”

“Wakambofungawo here kuti unogona


kuudza vanhu, asi vanhu vacho pavanouya

Page | 385
kwandiri vagotaura zvakasiyana. Vagonditi
makorokoto wakagona kusiyana naJanet
taitoshaya kuti muri kuitei?” Max akadaro
achiseka Janet.

Janet akagomera ndokuti; “Ndiani iyeye


akadaro?”

“Enda undobvunza hama dzako. Ndangoti


ndikuudze kuti zvaunofunga kuti mumwe
munhu angatibatsira, hakuna. Kana
takatadza kunzwanana tiri vaviri saka
ndizvozvo. Urangarirewo kuti vanhu vese
vaunotaura navo nezvangu, tisu takaita kuti
vazive kuti taive tese. Saka havana basa
nazvo kuti tichiri tese here kana kuti
takasiyana.” Max akadaro.
Janet akaramba akanyarara.

Max ndokuti; “Ndine client iri kuuya muno in


15 minutes, chienda hako. Ndoda kugadzirira
zvebasa rangu. Move on Janet, I have moved

Page | 386
on. Handichinei newe, ndakawana munhu
wandinonzwisisana naye.”
Janet akasimuka ndokuti; “Max you are going
to regret this. Ndini munhu ange achitokuda
zvechokwadi asi wave kundidai? Kana
uchindirambira Farirai uri kutambisa nguva
yako. Farirai ane revenge plan yekundikaurisa
inini, achinyepa kuti anokuda.”

Max akakurumidza kusimudza musoro


ndokuti; “Wati chii? Watanga zvekungotaura
zvausingazive.”

“Iwe ndiwe usingazive chinhu. Farirai anoda


kutsiva dzimwe nyaya dzatakamboitirana,
nekurambanisa iwe neni. Kana achikuda sei
asina kukuudza kuti taizivana kare? Hausiwe
wakaita kuti tizivane.” Janet akadaro inzwi
richibvunda asi achisvotesa.

“Unomuzivira kupi Farirai Tinarwo?” Max


akashungurudzika nezvaainzwa.

Page | 387
“Ainzi Farirai Mashiri ipapo. Handiti wati you
have moved on. Chiendai mundomuvha oni
muchiudzana kuti inini naFarirai
tinozivaniranepi.” Janet akadaro ndokubuda
achirovera musuwo ndokuenda.

Max akasara achifunga mashoko aJanet hana


ichirova.

Akatora nhare yake ndokufonera Farirai;


“Nhai Farie, iwewe naJanet, my ex-girlfriend
munozivirana kupi?”

“Oh azokuudza? Taimbove neighbours a


couple of years ago. Ati chii?” Farirai akadaro.

“So ichokwadi kuti pane nyaya iripo pakati


penyu? Inyaya yechii?” Max akada kuziva.

“Janet is the woman who broke my home.


Ndiye akadanana nemurume wangu kusvika

Page | 388
tarambana. Hameno zvaakuudza asi kubvira
paakandiona mu office mako as you
introduced us, haana kuzowana rugare.”
Farirai akatsanangura.

“Ko wakadii kundiudza nhai Farie? Sei waiita


sekuti hamuzivane asi pane cold war yaive
pakati penyu?” Max akabvunza achiita seari
kuzevezera neshungu dzaive maari.

Farirai akambotura befu achitsvaga mashoko


akafanira ndokuzoti; “Janet ndiye
wawaidanana naye, saka ndiye aifanira
kukuudza, kwete inini. Either way, kunyarara
kwangu kana kutaura, ndaingoita like a home
wrecker nekuti Janet anoziva zvaakaita.”

Sei makandipinza pane zvamuri kurwira nhai


Farie? Iwewe ndakakutadzira chii? I loved you
as a friend and workmate. I still love you
zvekuda kutochata newe. Janet is quite a
character, that one can do anything. Ko

Page | 389
iwewe ndozvauriwo here nhai Farie? I am so
disappointed.” Max akachema chema.

“Uri kundiisa pakati penyaya dzenyu


pandisingafaniri kuve. Janet ndiye aifanira
kukuudza. Kwete inini.” Farirai akadaro.

Max akafemedzeka ndokuti; “We were


friends Farirai. Ndakakuudza kuti Janet
handichamuda, ungadai wakandiudza ipapo.
Nyangwe dai usina kutaura zvese
wakangotaura kuti makambogara mese as
neighbours. Saka you never loved me, I was
never your friend? Wakangoona an
opportunity yekutsiva zvawakaitirwa naJanet
ukandiita chidhori chako.”

Farirai akamboshama muromo achipererwa


ndokuzoti; “Mhosva yangu panyaya dzako
naJanet handisi kuiona ini.”

Page | 390
“Kufara kwese kwandaiita newe, all the late
night chats, the outings waizviita nekuti
waida kuti Janet asvotwe, kwete nekuti
unondifarira. Wakandishandisa Farie, ko
wakazviitirei? Ndaikuudza chokwadi
cheupenyu hwangu, I shared the vision of my
company newe. Izvo iwewe waingotandara
zvako uchitarisa kuti Janet ari kunzwa sei. I
trusted you with my life, izvo iwe waitotamba
zvako.” Max akadaro, Farirai akange
akaterera achifunga zvekupindura, asi nhare
ndokunyarara.

Farirai akatsveta nhare yake pakadaro apo


mashoko aMax achirira munzeve dzake.

Page | 391
CHITSAUKO 20

W aive musi weChishanu masikati apo


Farirai akakurumidza kupedza basa.
Akange afonerwa navatete vake vachida
kuzomuona, vakati vaive nemashoko
makukutu avaida kuonesana naye. Vakabva
vasangana kuSpice & Grill Restaurant yaive
pakati peguta.

“Tete vhiki yese maingoti munoda kundiona,


kwakanaka here?” Farirai akadaro achigara
pachigaro chakange chakatarisana
nechavatete vake.

Vatete vakanyemwerera ndokuti; “Inga


ndiwo mugariro wedu nhai mainini. Taisiita
lunch tese kaviri kana katatu pamwedzi.
Mazuvano wange warova. Kuri sei kubasa
kwako?”

Page | 392
“Ichokwadi tete, mazuvano ndikataura nemi
pafoni zvinoita setaonana. Muri sei zvenyu?”
Farirai akadaro.

“Ini ndinofara, business is good. Next week


Friday tiri kuenda naamai vako kuTurkey.”
Vatete vakadaro.
Ndokuti; “Asi nyaya yandakudaidzira
ndeyako nemurume wako Mashiri.
Wakamboti mange muchitaurirana, masvika
papi nekugadzirisa imba yenyu?”

Farirai akacheuka cheuka ndokuti; “Ari kupi


Ezekiel? Ndinoziva ari mudhuze, anofarira
zvekutumwa nekutuma vamwe pakutaura
nyaya dzeupenyu hwake.”

Vatete vakaseka seka ndokuti; “Asi inini


ndinoda kumboziva zvaunofunga tichiri tega.
Uri kufungeiko neupenyu hwako? Uchiri
mudiki Farie, unofanira kuroorwa futi usati
watanga kuputsa dzimba dzevamwe.”

Page | 393
Farirai akamboramba akanyarara akatsikitsira
ndokuti; “Kumboparadzana naEzekiel
kwandakaita kwakandipedza rudo kwaari.
Ndakaona how unreliable he can be. Pane
zvandakange ndisingaone tiri tese, seizvozvi
zvekuti haatogone kunyatsomira
nezvaanoda nezvaanofunga semurume
mumba. Nyaya dzake dzese kungotaura
nevanhu vekunze.”

“Uri kuti ndiri vanhu vekunze here inini? Kana


inini tete vako ndikasakugadzirisai ndiani
anofanira kukugadzirisai?” Vatete Marita
vakabvunza.

“Aiwa tete handirevi imimi. Dai kubva


pakutanga takangoita musangano wakadai,
imba yedu ingadai ichiripo. Asi Ezekiel
aindinyeya achiudza vana babamudiki Stan,
murume waTary. Asi achiramba kutaura
nyaya dzacho tese tiripo. Ainditaura zvakaipa
achiudza mukoma wake Gabriel. In a way
kusavepo kwake pakati pangu nevemhuri

Page | 394
yake kwakaita kuti ndisadzokerawo kumba
kwavo.” Farirai akatsanangura.

“Asika ndosaka tiri kutaurirana nyaya idzi kuti


dzichinje mugadzirise imba yenyu.” Vatete
Marita vakadaro.

Farirai akadzungudza ndokuti; “Ndiyo


character yake Ezekiel, I doubt if that will
change unless iye atozviona ega kuti
ndopane dambudziko. Funny as it is, I find it
easy to forgive and let go kudanana kwake
naJanet, pakutaura kwese kwandakaita naye,
ndozvega zvaakaona kuti akatadza. Asi haasi
kukwanisa kuona sei akaenda kuna Janet,
saka acharamba achingoenda to any other
person who can give him zvaanenge
achitsvaga panguva iyoyo. Sekungonditaura
kwaaingoita nevanhu vese asi asingataure
neni, akawana mumwe mukadzi
anomuterera futi, anongoenda.”

“Kuti kudaro here?” Vatete vakabvunza


vachiterera zvairehwa naFarirai.
Page | 395
“Mumba medu naEze taisave ne serious
issues dzataitaura sezvaaizoita kunze. I had
my mistakes and regrets zvandakaitawo
mumba mangu. Asi ndozviri kuita ndione
sekuti kudzokerana naEzekiel tinogona
kuzorambanazve.” Farirai akadaro.

Vatete havana kuzopindura, Ezekiel akabva


asvika ogarawo pavaive.

Vatete Marita ndokuti; “Iwe Farie,


babamudiki Mashiri ava vakandituma kuti
ndikusanganisei mutaurirane nyaya dzeimba
yenyu. Muri kurongei? Muri kufunga kuita
sei?”

Ezekiel ndokuti; “Ichokwadi chiri kutaurwa


natete, Farie. Nguva yareba tichiita on and off
communication. Hatisi kutaurirana
zvinopera.”

Farirai akatarisa vatete vake ndokuti;


“Ndozvandange ndichireva tete, kuti isusu tiri
Page | 396
vaviri hatitaurirane nyaya chaiyo ine
zvinangwa zveupenyu hwedu.
Communication yaari kutaura kwaive
kukwazisana paWhatsApp nekutumirana
nyaya dzepaSocial Media tichiseka.
Zvinobata upenyu hwedu akatouya akaudza
imimi, ini handisi kuziva kuti anoda kuita sei.”

Ezekiel akaratidza kushamisika ndokuti;


“Kuita sei kwekudii? Ko uri kutanga kuzogara
neni here? Handiti kungodzoka mumba
mako mawakambobuda chete?”
Vatete Marita naFarirai vakatarisana. Farirai
ndokudzungudza achitsikitsira.

Vatete ndokuti; “Aiwaka babamudiki, sei


muchiita sekuti zvakambobudisa Farirai
mumba menyu hazvichina basa nekuti
zvakaitika zvikapera? Muri kuti zvakatopfuura
here musina kutaura nezvazvo? Zvinopfuura
kana zvagadziriswa, mukasadaro munogara
muchitenderera panzvimbo imwe chete.”

Page | 397
“Ko ndaifunga kuti takapfuura ipapo. Inga
takataurirana naFarie tikakumbirana
ruregerero tikabvumirana kuti zvakapfuura
tese takakanganisa. Nhasi mave kutaura chii
futi?” Ezekiel akadaro achiratidzwa kusvotwa.

Vatete vakatarisa Farirai vachida kuti


azvipindurire ega, uyo akati; “Kuda kana
tikatanga kwekutanga chaiko. New dating,
nekutozivana patsva tichiona kuti tiri
kugadzirisana.”

Ezekiel akaseka achidzungudza musoro


ndokunwa girazi rese remvura
yaakangowana iri patafura.

Vatete ndokuti; “Matii babamudiki?”

“Pandauya pano ndange ndichiti tiri


kuzotaura kuti Farirai ari kudzoka kwaMashiri
riini, chete. Ndange ndichiti tete muri
kuzondiudza kuti ndichabvisa marii or
mombe yekutenda kuna amai Tinarwo kuti

Page | 398
Farirai adzoke kumba.” Ezekiel akadaro inzwi
rakwira.

Akatarisa Farirai ndokuseka achiti; “Uri kuda


kupfimbwa patsva? Nani manje? Chipfambi
chehusinguru chave kukunakidzaka?”

“Aaah zviri kubva kupi zvese izvi?” Vatete


Marita vakabvunza vachishamisika
zvakanyanya.

“Handidi kutambisirwa nguva nemunhu asiri


serious neimba yake tete. Farie ari kuti
titange zvekupfimbana and those dates like
we are teenangers? Why? Sei asiri kuda
kudzoka kumba kwake? Toita those silly
dates then ozondiramba kuti awane kutsiva
handiti? Vakadzi vangani vakarambwa vari
kunzi nevarume vavo vadzoke kumba?
Mukadzi chaiye anoda imba yake
anomhanya kudzoka mumba make. Asi iye
ari kuramba, asi vamwe vari kutoramba
kubuda mudzimba nyangwe vadzingwa.”
Ezekiel akapopota.
Page | 399
Vatete Marita vakabata muromo ndokuti;
“Mazuva ese ndaikurevererai babamudiki.
Ndakange ndisingazive kuti ndomafungiro
enyu pamusoro pemudzimai wenyu.
Ndaisaziva kuti ndozvamunotaura izvi
kumudzimai wenyu.”

Ezekiel akatarisa tarisa patafura akaona


pasisina chekunwa ndokuti; “Zvipiko,
muzukuru wenyu tete ari kunakidzwa
nekupfimbwa nevarume vakawanda, ave
kundiisawo ipapo. Akarambanisa Janet
nemuchinda wake, ndiye waanoda, ndosaka
ari kuramba kudzoka kumba kwake.”

Vatete Marita vakange vavhiringika


vasingachaziva dzimwe nyaya. Farirai
ndokuti; “Saka kana ndikadzoka kwaMashiri
ndokuti iwewe naJanet murege kuramba
muri mese? Zvese zvandinotaura inini
hauzvinzwe, asi shoko rimwe chete kubva
kuna Janet rinokuchinjisa maonero
aunondiita.”
Page | 400
“Ndiri kunyepa here? Muchinda waJanet
ndiye waunoswera naye. Iyezvino
vakatokanzura muchato wavo nekuda
kwako.” Ezekiel akadaro.

Akatarisa Farirai ndokuti; “I know I am not


perfect, but are you? Unoda kundiisa pa
probation kuti uone kana ndichiita kana kuti
kana ndisingachakuitiri, ko iwewe? Are you
perfect? Ndikaita zvese izvo uchadzoka
mumba mangu wobva watondizvarira
mwana handiti?” Ezekiel akakwamatata
ndokutarisa Farirai uyo akabva atsikitsira.

Vatete Marita vakabva vati; “Tatenda mauya


babamudiki, chiendai zvenyu. Hameno
tikazogara pasi tichitaurazve. Kwanhasi
ndakundikana.”

Ezekiel akasimuka akatarisa Farirai nehasha


ndokuenda.

Page | 401
Vatete nemwana wehanzvadzi vakasara
vakanyarara, mumwe nemumwe aifunga
zvake ega.

Vatete vakazoti; “Ita zvauri kuita wena Farie.


Kubasa kwako kunoda munhu anoshanda
achifara ane rugare mumoyo make.
Kupedzisa kuvaka kunoda uchiita sarudzo
dzako dzaunoda. Uyu munhu akadzoka
muupenyu hwako handione achichinja kuti
mugare mese zvakanaka. Asi anogona
kukutsvagira mhosva dzese dzaari kufungira
kuti uri kuita izvozvi.”

Farirai akagutsurira ndokuti; “Inenge iri imba


yekutsivana kuti wakambonditadzira mazuva
aya saka ndave kukudzorerawo. Kudanana
chaiko hapachina hapo. Tinopedzisira
taurayana.”

Vatete vakabata Farirai ruoko ndokuti; “Sorry


wena handina kuziva kuti Mashiri ari rough
zvakadai. Ndosaka wairamba kuti
musangane muchitaurirana.”
Page | 402
Farirai akaedza kunyemwerera miromo
yakatsemuka ndokubva ati; “Ndabva
ndawana hangu closure. Kana ndaitadza
kuziva kuti ndodzoka here kana kuti
ndokanganwa nezvekwaMashiri, nhasi
ndazoziva.”

Vatete vakabva vati; “Ngatitengei take-away


tiende.” Vakatenga kudya kwavo
ndokuparadzana, Farirai achienda kumba
kuDomboshava. Vatete Marita vachienda
kuchitoro kwavo.

Pavhiki yakatevera, Mugovera mangwanani,


Farirai akafuma akarara akazorora sezvo aive
ega mumba amai vake vasipo. Akazomuka
apo Tarisai akafona achiti akange achizouya
pamba apa nemhuri yake.

Tarisai nemhuri yake vakazosvika Farirai


avamirira apedza kubika nekutsvaira.
Mapatya akafarira kuona vamwe amai vavo,
ndokutsvaga mbuya ndokuvashaya.
Page | 403
“Ko babamudiki Stan vari kupi? Ndafunga
kuti muri kuuya mese.” Farirai akabvunza
vachigara pasi vese.

“Ari kutevera, asara kumashure neshamwari


yake.” Tarisai akadaro.

Vakambonyarara, Tarisai ndokuti;


“Zvamaitaura pafoni makandishamisa sisi
Farie. Handina kumboziva kuti mazuva ese
aya maifunga kudzokerana naEzekiel.”

“Ndaiona sezviri less complicated. Ndaiti the


devil you know is better than the angel you
don’t know.” Farirai akadaro.

Tarisai akadzungudza ndokuti; “Ezekiel is not


a bad guy, asi haasi wekurarama naye,
ndewekuda ari kure. Ane some irritating trust
issues dzinongoshaisa rugare mumba.
Panyaya dzese dzamakanetsana, sei
achiramba achingounza Janet muupenyu
hwenyu?”
Page | 404
Farirai akadzungudza ndokuti; “Haatooni
kuipa kwazvo. Kuita seari kungobatsira Janet
kuti adzokerane naMax, kwete kuti anoda
zveimba yedu. Ari kungosimbirira kuti ndinzi
ndiri mukadzi wake, saka Janet ndewaMax.”

Tarisai akaseka ndokuti; “Munhu akaoma


hake. Ari sei zvake Max?”

Farirai akambobwaira bwaira ndokuzoti;


“Handina kumbotaura naye for over a month
now, kubvira patakataura pafoni akatsamwa
kuti handina kumudza kuti ndaizivana
naJanet. Akambofona ndikasapindura,
akatumira some messages achiti tisangane
titaure nezvazvo, asi ndakange ndafunga
kusiyana nazvo.”

“Dai makangoterera zvaaitaura. Dai


makangomunzwa kuti aida kuti chii.” Tarisai
akadaro.

Page | 405
“This time I chose myself. I wanted closure
naEzekiel. Mwedzi wese taingoita Social
Media jokes and gossip, pataitaura tese
aingoti ndiuye kumba kwake kuzorara.
Kusvika last week patakazosangana audza
tete kuti vatisanganise. Nguva yese
yandakamupa kuti tigadzirise zvaitinetsa,
hapana zvatakagadzirisa. Akazouya last week
achindituka nekundimanikidza zvaive
mupfungwa dzake zvandange ndisingazive.”
Farirai akarondedzera.

“Akagara zvake akadaro. Zvakangozonyanya


kubuda when you divorced, ange asisina
nyadzi.” Tarisai akadaro.

“I had so many regrets when we divorced.


Pane zvinhu zvakawanda zvandaifunga kuti I
should have done differently. Saka iyezvino
ndange ndisingade kudzokorora. Mwedzi
wese ndaida kuona pandimire naEzekiel,
hapachina hapo chekutarisira.
Hazvindishamise kuti vari kupota
vachimbopakurirana bota naJanet. Vane
Page | 406
mafungiro akafanana uye vanotererana
panyaya dzavo.” Farirai akadaro.

Tarisai akatarisa mukoma wake achimunzwira


tsitsi ndokuti; “Enough of the sad stories.
Ndauya nema drinks and some eats, tiri
kurara kuno tese nhasi. Ndakaudza mhamha
kuti handidi kuti mugare mega weekend
yese.”

Farirai akanyemwerera ndokuti; “You are


such a darling, we are sisters by fate and
friends by choice.” Vakaseka vese
vakatarisana nerudo mumaziso avo.

“My best weekends were those


pandaishanda naMax. It was working
overtime asi ndisingazvione kuti ndiri
pabasa.” Farirai akazodaro.

Tarisai akanyemwerera ndokuti; “Do you miss


it?”

Page | 407
“Ani? Max? Aiwa aiwa. Handitombomufunge
ini. It’s a closed chapter. Sometimes I just
wonder why I met him the time that I did.”
Farirai akadaro.

Tarisai akaisa makumbo pasofa


ndokuzembera achiti; “Ndabvunza kuti do
you miss it… your work, kwete Max.”

Farirai akazviseka akabata kumeso ndokuti;


“It’s just that the experience was very nice.
Taishanda, tichitamba, tichiseka zvekuti
kushanda kwacho kwaisarwadza.”

“Why don’t you give him a chance


sezvamakaita Ezekiel? You gave Ezekiel
nguva yese, pamwe muchimumirira asi
asingatozive kuti akamirirwa. Dai Ezekiel
aikudai chaizvo angadai akakutsvagai
paakangorambana naJanet. Asi pavakasiyana
akatomboita zvimwe, you were never a
priority in his life.” Tarisai akadaro.

Page | 408
Farirai akagutsurira ndokuti; “Ndakanonoka
kuzvionawo. Ndaifunga kuti tichadzokerana.”

“Haisi romance & marriage chete zvinounza


hearbreaks. Kana broken friendship chaiyo
can give you a heartbreak. Any loss in your
life can bring a heartbreak.” Tarisai akadaro.

Farirai akagutsurira ndokuti; “Ndakange


ndave kuona sekuti Max naEzekiel
vakafanana. Vese vane nyaya dzaJanet. Vese
vakangoti kungoona another woman who
seemingly presented herself better, they
dumped wavaive naye. Zvese izvozvo
ndakange ndisingazvifarire.”

Tarisai akadzungudza ndokuti;


“Takambotaura nezvazvo izvi. Ezekiel naMax
havana kumbofanana. Ndosaka ndichiti sei
makapa Ezekiel too much time to know how
bad he is, asi Max muri kumutongera
dzaEzekiel.”

Page | 409
“I hear you. Maybe I should consider Max,
and revive our friendship.” Farirai akadaro.

Tarisai akaseka ndokugara zvakanaka akaisa


makumbo pasi achiti; “I like that, I don’t want
to see you lonely. If you are friends with Max,
you boost your career, you go up the career
ladder, you will have active during the
weekends pane kungoswera namhamha
pano. Muchiendawo kuma workshops and
meetings ebasa, meet new people and enjoy
life. Zvino nekuda kwenyu Eze mange
matovharira vamwe vanhu vese panze.”

“Friendship, only. Handina zvakawanda


zvandiri kufunga pamusoro paMax. Izvozvi
kutaura kudai atove nemumwe mukadzi.
Vanombononoka here vakomana vacho?”
Farirai akadaro pfungwa dzave kudzokera
kuna Max.

Tarisai akaseka zvakare ndokutora nhare


yake ndokuti; “Saka ndovaudzaka? Max? Kuti
you are still friends?”
Page | 410
“Unomuonepi kuti utaure zvakadaro?” Farirai
akabvunza achishamisika.

Tarisai akanyemwerera ndokubaya nhamba


dzaStanley murume wake. Akaisa nhare
patafura ndokuti; “Chiuyai kumba.”

“Touya tese here?” Stanley akanzikwa


kubvunza panhare.

“Yes, huyai mese.” Tarisai akadaro. Nhare


yakabva yanyarara.

Farirai akange amutarisa nemaziso aive


nemubvunzo, Tarisai ndokuti; “Pamakaregera
kupindura calls and messages zvaMax, he
reached out to us. Ave kuwirirana
zvakanyanya naStan. Handiti muchiri kuziva
kuti akawana imwe contract yekubasa kwana
Stan? Saka vange vave kunyanya kuonana.”

Farirai akashamisika ndokuti; “Hauna hako


kumbotaura nezvazvo?”
Page | 411
Tarisai ndokuti; “I did not want to pressurize
you or give you ideas, or impose kuti
wiriranai naye nekuti kwatiri he has been so
good. Ndaida kuti muite zvamunoda,
zvamunofunga mega at your own time. You
deserve to be happy sisi Farie. Handisi kuti
Max is the yardstick of your happiness, asi
surround yourself with people vanoita
zvamunofarira, vekubasa neshamwari
dzekuseka nadzo. Kubva pamakabva
kwaMashiri, inini natete tisu shamwari
dzenyu chete. Mhamha varivo chief advisor
wenyu.” Vasikana vakaseka vachifunga amai
vavo.

Farirai akanyemwerera akaterera munin’ina


wake ndokuona motikari yaMax ichimira
pachivanze pavo. Vese vakabuda panze vave
kundochingura varume.
Vakakwazisana vese, Stanley nemhuri yake
ndokupinda mumba, Max naFarirai
ndokusara panze.

Page | 412
“I missed you Farie, a lot.” Max akadaro
vazembera mota yake vese.

Farirai akanyemwerera ndokuti; “Handina


kumbofunga kuti tichazoonana zvakare.”

“Friends don’t divorce, they fight and make


up. I still believe in our friendship, so I took
my chances today. Ndange ndisingade kuuya
pamba pandisingafarirwe saka ndatuma
mainini Tary kuzonzwa kuti unondifungirei.”
Max akadaro vese ndokumboseka.

“I agree, we were once good friends.” Farirai


akadaro.

“We are still good friends, now we are tried


and tested.” Max akadaro.
Akatandavadza ruoko ndokuti; “Friends,
forever.”

“Friends…” Farirai akadaro achitandavadzawo


rwake.

Page | 413
Vakanyemwerera vakabatana maoko
ndokudungamidzana vopinda mumba maive
nevamwe.

ZVAPERA

Page | 414
BENEFITS OF WORSHIPING GOD KUKUDZA
NEKURUMBIDZA MWARI
John 4:23 -24

 Praise and Worship God in prayer, inyaya


inonetsa vanhu vakawanda kuti
zvinoitirwei especially tichitarisa kuti
vanhu vanonyanya kunamata kana vaine
zvinovanetsa muupenyu hwavo.
 Vamwe havanzwisise why we should
praise and worship God, vanongoitawo
kuti zvipfuure nekuti Shoko rinoti tidaro.
 Some feel kuremerwa nepraise and
worship, kuti we are demanded to do it
even tichiremerwa nanhamo dzeupenyu
and some unanswered prayers.
 As you can probably see, this attitude does
reflect worship – but self-worship, focus
on oneself.
 Obedience to God always brings blessings
far beyond what we can imagine, and
obeying God in worship is no different. Far

Page | 415
from being a draining duty, worship offers
beautiful benefits that will bless our lives.

WHY DO WE WORSHIP GOD?


Zvese zvatakarairwa naMwari kuti tiite in the
Bible, is for our benefit, to our advantage
i. Takanzi tiregerere – Forgive others.
Kwete kuti tidhererwe, kwete kuti tive
abused nevanotitadzira. Asi kuti isusu
tive free from the hurt and pain
inokonzerwa nekusaregerera. Kana
unforgiveness ikarerwa, inokomba,
yoita midzi, yoita nyanga, yoita
bitterness. Bitterness inokuvava
iwewe, kusvika wavava vamwe, kusvika
pasisina achada kuswedera padyo
newe.
So when God says forgive vanenge
vachida kuti tisaora, tigare tiri fresh
ii. Takanzi tide vamwe sekuda
kwatinozviita – Love others. – with
love everything is possible kwauri
iwewe nekune vamwe. With love
Page | 416
tinowana all the fruits of the Holy
Spirit.

Now takanzi we must worship our God in spirit


and truth. Worshiping is a sacrifice …. Chibairo
chatinopa kuna Mwari, chinoratidza nyika
yemweya kuti tiri vaMwari.
Language inonzwisisa Satani kuti haude nezvake
is when you praise the Lord. When we praise
God, the heavenly angels join us to declare Who
God is muupenyu hwedu.
Tikatarisa mazita ese aMwari, aimapiwa
nevanhu, kuti Jireh (The Provider), Sabaoth (The
God of Hosts - War), Nissi (my Banner ) etc
nekuda kwezvainge zvaitika munhu naMwari
vachisangana.
Now as we worship our God, using the same
Names, counting our blessings and our
testimonies, tinenge tichiudza spiritual world
yese kuti The God of Heaven ndiye ega
anondiitira zvakadai izvi.

Page | 417
Again…. Worship is for our benefit, inoita kuti
zviri Mwari, zvatinomukudza nazvo zviitike
muupenyu hwedu.

God is love, His Name is His answer.

1. WORSHIP GETS OUR FOCUS ON GOD


When good things happen to us we need to be
thankful to the One Who gives us the good things
and when bad things happen we need to come
to Him and acknowledge that He is big enough to
take care of our problems.
Jeremiah 24:7
Psalm 91:14-15
Look at what it says in the book of James 1:17
“Every good gift and every perfect gift is from
above, and comes down from the Father of
lights, with whom there is no variation or
shadow of turning.” (NKJV)
Look at where the focus of this verse is at – it’s
on the “Father of Lights – with whom there is no

Page | 418
shadow.” That is a song of praise – that is a song
of worship.

My Father has no darkness.


My Father has no deceit.
My Father has no alternative motives.
He is pure love.
He is pure light.
He is pure mercy.
He gives me grace.
He gives me forgiveness.
He gives me love.
He gives me every good and perfect gift that I
have ever received. Wow!
Praise God! Wow! Worship God! When we come
into the presence of God - when we look at what
God has given us – we can-not but help praising
Him – we can-not but help worshiping Him.

2. WORSHIP SATISFIES OUR SOUL LONGINGS.


Psalm 107:9
Jeremiah 31:25

Page | 419
We were made to worship. When we choose an
object to worship other than God, we will always
be disappointed. People will disappoint us,
wealth will never satisfy, exciting experiences do
not last, and we will always be frustrated with
ourselves. But God never disappoints. We were
created to worship God, and only God-worship
will truly satisfy our soul longings.

3. WORSHIP READJUSTS OUR PERSPECTIVES.


Isaiah 12:5 Psalm 73
This life is a mess. Muslim extremists are killing
children and brutally raping women. People are
dying of starvation while corrupt politicians
divert relief funds into their own bank accounts.
People around the world are rejecting God and
become antagonistic toward Christians. As a
mother, my heart is filled with worry over the
future of my children in this world.
When I come to God in worship and reflect on
Who He is, my heart can rest in Him. I don’t
understand what is going on here on earth. I
don’t know why an all-powerful God allows
Page | 420
human suffering and misery. But I do know that
He is all-powerful and in control. I know that He
made the world a beautiful place of peace with
an abundance of good things for all people, and
I know that sin changed all of that. I know that
God is just. I know that God has a special place in
His heart for vulnerable children. I know that this
world is not all that there is to life – there is an
after-life in heaven where all things will be made
right. When I take my focus off of myself, off of
the circumstances around me, and place it on
God in worship, my worry is replaced with trust
and acceptance. My heart changes. My
perspective is readjusted.

4. WORSHIP PREPARES US FOR PRAYER.


Hebrews 13:15
Psalm 95:6
Jesus starts and ends the Lord’s Prayer with
worship. Many of the prayers recorded in the
Bible also start with worship. Why is that?
Worship prepares us for prayer.

Page | 421
Worship helps us to align our thoughts with God
so that when we make petitions and offer up
thanks, we can know that we are praying
according to His will.

5. WORSHIP DEVELOPS A RELATIONSHIP WITH


GOD.
Isaiah 66:2
Isaiah 59:1-2
In the book, Spiritual Disciplines for the Christian
Life, Donald S. Whitney says, “The more we focus
on God, the more we understand and appreciate
how worthy He is.” It is impossible to have a
relationship with our great Creator God if we
know nothing about Him. As we learn more
about God through the study of His Word, our
hearts will naturally be drawn to worship Him
because He is worthy. And, as we worship Him,
we will be able to enter into a deeper
relationship with Him. As we walk with Him
through this life, we will learn to trust Him and
love Him.

Page | 422
As we grow in relationship and worship, the
thought of going to heaven to worship God for all
of eternity becomes the longing of our hearts.
The thought of worshiping God for all of eternity
in heaven? It is the hope for peace, joy, love, and
home.
How about you? What benefits of worship have
you experienced? I would love to hear your
thoughts! Please comment below.
And, if you liked this post, please help me by
sharing it. Scroll down and click on the share bar
below. I really appreciate it!
May God bless you!

Page | 423
Page | 424

You might also like