You are on page 1of 333

Nyevero

Chapter 1

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

Nyevero,,,,, Nyevero!! Muka ugeze muende kuchikoro shamwari yako Sharon


akutouya uyo, asi warwara here mwanangu?".
Ava ndi mhamha vaindideedza kuti ndimuke apo vange vawana ndakarara ndisati
ndamuka vachibva kwa mai Nokutenda kwavanga vadeedzwa kuti vagoita maricho
week raitevera.
Ndakanga ndararisawo sure that day and I was dreaming hangu ndiri mumadhaka
ndichitambura kubuda. Ndakangoti zvinoshura here izvi, ndaisava mwana anonoka
kumuka asi musi uyu zvaishura.

Ini ndinonzi Nyevero Mabika. Ndiri mwana wedangwe wababa namai Mabika.
Anonditevera anonzi Ruregerero achiteverwa na Namatirai. Takazvarwa tiri 3 girls
only in our family. Mai vangu vanga vatadzawo kuita mwana mukomana mbereko
ichibva yaguma.

Taitoshuvirawo kuva ne brother asi zvakaramba zvakakona n'anga murapwa


achida.
Amai vangu vaivawo 1st born kumhuri kwavo even my father he was the 1st born
as well. Saka ndini ndaiva muzukuru mukuru both to my grandparents.
My mom was from Murambinda growth point kwainzi kwa Mapako and my dad
was from Mabika.
Instead yekuti my grandparents vadeedzwewo kuti mbuya Nyevero sezvo ndaiva
1st grandchild, my grandparents from my moms side vaitonzi mbuya Kupakwashe
mwana we brother ya moms vangu ukuwo kwa baba vainzi mbuya Trish mwana
we ccta yadad vangu.
You are asking yourself why hanty?.

Well my mom vanga vaita musindo wekuroorwa na dad vangu vabereki vavo
varamba, bcz at that time kwaiva ne nhamo kumba kwana dady vangu.
Apa vakabva vatizira dad vachisiira zvidzidzo panzira she was in forn 3
pavakatizira and their parents did not bless or accept their marriage.

Ukuwo vabereki va dad vaisada moms yangu bcz vakanga vaine wavaidawo kuti
aite muroora wavo. Complicated hanty?

But neupenyu hwataiva takurarama ndaitomboti nechemumoyo dai mai vangu


vakateerera pasina izvi aah sometimes vabereki vanotiparira shame.

Ndamba kuudzwa akaonekwa nembonje pahuma sure, kkkkk my mom mbonje


yavo vaiva vana vavo vatatu me and my sisters . Ndofunga vaitombofunga
kurewind life yavo but it was too late. Sure your decision you make in life you
become a slave to it .
End of chapter 1

Chapter 2

Ndakamuka hangu ndichitovhunduka kudeedzera kwaita amai. Ndakamutsana na


Ruregerero ndokubva taenda kunogeza. Sezvo taive tanonoka kumuka uye Sharon
aive akutosvika saka takangogeza ari makumbo chete.Ndakatofara ini nekuti
zvekugeza muviri zvataiitiswa na amai makuseni ndaisazvida ini nekuti kugeza
iyyy,,,, ndaisada kuona mvura .

Apa taigeza neruredzo rwekuti pamunopedza kugeza munenge muchitsvedza muiri


wese. Takapedza hedu kugeza kwaku zora lemon redu mixed with cooking oil sure
regai vakuru vakat, "rugare tange nhamo".

Takazopedza hedu kupfeka pfeka zvigamba zvema uniform edu kwakuisa


mutakura wedu mugaba re camphor .
Musi uyu taitofara kutakurawo mbuva irinani nekuti takanga tanzwa nekutakura
mhandire kuchikoro zuva ne zuva .
Ndozvaikwanisawo mai vedu. Apa taita setisinawo baba sure.

Asi baba taivewo nawo mufunge, zvinhu zvakatanga kuchinja pakazvarwa


Namatirai nekuti baba vaiti vakudawo mwana mukomana anozokudza dzinza.
Sezvineiwo amai vangu vaiti vanga vanzi hamuchaita mwana saka baba vakanga
vasisauye kumba vakanga vakugara ku chivhu kwavaishanda vachiita havo zvema
girlfriends.

Mari yechikoro chaiyo vanga vasisatipa vaiti wakazvara pfambi dzega dzega saka
vaiti vari kutsvaga anovaitira mwana mukomana.

"Amai ,,,, amai tapedza".


Ndini ndaidaidzira amai vakanga vakutosakura havo munzungu mavo, nekuti
taisabuda mumba tisina kunamatirwa na amai.

Vakauya amai vakanamata nesu. "Baba vedu varikumusoro kudenga zita renyu
ngarikudzwe kuda kwenyu ngakuitwe panyika sekudenga. Baba chengetedzaiwo
vana vangu pavachabuda vachienda kuchikoro, itai vawanikwe vachanzwisisa
zvavanodzidziswa pazuva ranhasi muva chengetedze pavachaswera nekudzoka
vadzoke pano vari vatano. Amen".
Takapa amai vedu a good bye kisses takumhanya hedu kuenda kuchikoro apa
kwaive kure kuchikoro kwacho. Kuchikoro kwedu taifamba 5km kubva pamba
pedu.

Ndaiita grade 7 pa Makumbe primary school uyuwo Ruregerero aive mu grade 5.


Pachikoro ndaiva shasha zvekuti kana vadzidzisi vangu vaidada neni, asi
patakangotanga kushaya kana kuchikoro taive takushayawo aitida. Regai varungu
vakazotaura kachirungu kekuti, (when days are dark friends are few ).

Ndakazvionera pamhuno sefodya ini pataiwanawo tichiuyawo netunonaka


kuchikoro taive ne shamwari dzakawanda .
Asi apa takanga takuita setinotosemesa ini mu class medu ndandakatopiwa zita
remadunhurirwa rekuti Zvigamba. Izvo zvaivawo zvakandimomotera aah ndaita
sendicharamba chikoro nekunyara zvigamba pa uniform .

Takazosvika zvedu kuchikoro kuma 8 apa taitanga na 7:30. Takawana pa ghedhi


paine vanwe madam vainzi madam Ramjee mai vairova zvavo ivavo, takapiwa
shamhu dzedu kwakumhanya hedu kuma classes edu.

Chemusi uyu chaishura sure ndakasvika mu class muchidaidzirwa vasina


kubhadhara kuti vabude vaende kumba. Ndakangoti yangu nhamo ye fodya chaiyo
inoti uku ikutsva uku irikuputwa.
Dai ndakaziva kuti ndozviriko dai ndakagara ndarovha zvangu apa ndanga
ndarohwa pa ghedhi zvekare aaaah zvangu zvanga zvakaoma hama wee.

Ndakakumuka hangu ndakuenda ku class kwana Ruregerero kuti tidzokere kumba,


ndakatomuwana akamira pamusiwo uku misodzi ichichururuka nekuti ndiye ega
mu class mavo aive asina kubhadhara.

Ndakanyararidza mwana wa mai vangu tikatanga hedu kudzokera kumba. Nhamo


chaiyo 5km zve here nhai mwari ! .
Takafamba dzinenge 3km takabva tagara zvedu pasi pezimuchakata raivepo
takudya mbuva yedu.
Ndakanzwa Ruregerero akuti sisi ndichambonozvibatsira.

Ndaiziveko kuti...

End of part 2

To be added mu WhatsApp grup inbox number above

Chii chakanoitwa na Ruregerero ? Ko mai avo vachafungei pavanovawona


vadzoka kuchikoro nguva isati yakwana?

Chapter 3

Ndaiziveiko kuti wangu munin'ina zvaati akuenda kunozvibatsira ainoda


kuzvibatsira nekudya mango mu garden mavaMutema.
Chokwadi regai zvinzi moyo wemunhu wakaoma. Mdakashaya kuti anga
azvifunga nguvai zvekunoba izvi munhu achitadza kufunga zvekudzingwa
kwataive taita. Vana vadikiso.....

Ruregerero zvakabva pandaiva achiti akunozvibatsira, akaona mango dzaiva


dzakatsvuka mugadheni mavaMutema.

Akatarisa tarisa kuona kuti hapana aimuona here akabva aona pasina. Akapinda
zvake kwakutanga kuturura mango achikanda pasi.
Vamutema vaitobva havo kumusangano wemajapata kwakungonzwa bu- bu -bu -
bu mu gadheni mavo. Vakashaya kuti aive ani aitanha mango nekuti mukadzi
wavo aive asipo.

"Iwe!!, Urikuitei mumuti mangu? Zvakare ndiwe ani?". Avo ndi vaMutema
vaidaro pavakasvika pasi pemumango wavo. Ruregerero akavhunduka pamwe
nekutya. Ruregerero anozama kuda kuti asvetuke asi bazi raaive akatsika rinobva
rati pwaaa kutyoka.

Muninina wangu anoda achibva anorovera pasi neruoko.


Ruregerero ainyatsoziva kuti VaMutema vane mukurumbira wekushinha uye
vairova.

Hameno kuti aive azviitirei chero kumba kwaive kusisina mango nekuti taingova
nemuti wemumango mumwe chete saka wakanga wapera.
Haisiyo reason yekuti munhu anga noba shuwa.

VaMutema vakaisa mango dzese dzaive dzatemhwa na Rue mu paper bag rikazara.

Ndakashamisika pandakaoma vaMutema na Rue vachiuya vakamubata ruoko kuti


asatiza uku plastic rakazara mango.

Kkkkk ah it was funny ndakati asi Rue akumbira mango? Aaah regai vasvike
ndinzwe. Pandakaoma Rue achichema ndakabva ndatoziva kuti "something is
wrong somewhere".

"Ruregerero ukuchemei chii chaitika????? Ndakabvunza nehasha. Asi haana


kuwana nguva yekupindura vaMutema ndovakapindura,

"Ndawana chipuka chamai vako ichi chichiba mango mugadheni mangu, uye ati
ndiwe wamutuma".

Ndakashaya kana chekutaura asi ndakangoramba ndakashama muromo wangu.


Ruregerero ndozvaitoita akabatwa achiita zvakaipa, aiti ndatumwa na sisi Nyevero,
kana kuti ndonzi Nyevero.
Aive nemusikanzwa: munin'ina wangu uyu. Akamboba $20 yambuya akaisa mu
homwe ye uniform yangu akuti ndakaona sisi Nyevero vachiitora.
Ndikagosechwa ndikaonekwa iri muhomwe.

Ndakarohwa senyoka yapinda mumba. Asi ndaimuda munin'ina wangu. Zvaanenge


andipomera ndaisamboita nharo ndaingorohwa ndonyarara.

Asi ndaigara ndichimunyevera kuti anofanira kusiyana nemusikanzwa tiite


zvisinganyadzise amai vedu.

Pandakaudzwa kuti aive atyoka ruoko rwekurudyi ndopandakazo pererwa chaiko,


mupfungwa dzangu makabva matotanga kufunga kuti
"saka school fees ichazowanikwa here ipapa"?
Nekuti uyu aive akuvara hanty pakutodiwa mari yekuchipatara apa amai vaive vati
vachatibhadharira school fees kana yakwana pavaizopedza maricho kwa mai
Nokutenda.

Rue aive atiparira chokwadi ndaimboti mwari asi mwana uyu hasi wamai vangu
kani?
Nekuti humhu hwake hameno aive kuti akatodza ani chaizvo.

"Nyeverooo!!". Ndakavhunduka vaMutema pavakandidaidza nehasha.

"Fambai tione ndoda kunoona mai venyu vandiripe mango dzangu idzi
dzakurunurwa nemhuka yekumba kwenyu iyi".

Apa ndopandakazo erekana misodzi yangu yakubuda kuti kurwadziwa munin'ina


ainzi mhuka chokwadi???? Nekuda kwe mango here nhai mwari, koti kufunga kuti
saka amai vachanotiii neizvi!? Aiwa zvaiva zvakaoma kani.
Ini ndaisambofunga kuti vaMutema vangafamba 2km kufambira nyaya yemango.
Aaaah vamwe vanhu dzinenge pwere chokwadi. Ndaitoti amai ndonovanyepara
kuti Ruregerero adonha mumukosvo. Mdakaona kuti ndaive ndaigochera pautsi
sure.
Amai vainokwira BP nemabasa a Ruregerero aya.

Ndakapiwa bepa riya ranga rakazara mango riya kuti ndibate evidence yekuti taba.
Imi woye zvakaoma.
Takatanga hedu kufamba apa Rue aingochema. Ruoko rwake rwanga
rwachizvimba zvino.
Ndakanga ndakumunzwira tsitsi mwana wamai vangu uyu chero hake aive
akanganisa. Asi aive akuvara zvkanyanya.

VaMutema havana kana kuita hanya nazvo. Vakaramba vakaomesa gotsi kunanga
kumba kwedu. Nechemumoyo ndakangoti baba ava ndosaka vasina mwana nekuti
utsinye hwavo hwakanga hwakaoma.

Regai zvinzi mugoni we pwere ndeasinayo chokwadi.

Va Mutema vaisambonzwisisa pwere hanty vaive vasina.


Pane kuti mwana aende ku chipatara first vozoenda havo kuno reporter zvemango
dzavo izvo, ivo vakati kana, ndirikuda yangu yemango chete.

Takasvika pamba pacho pasina munhu amai ndakatoziva kuti vainge vaenda
kwambuya kunotora mombe yedu imwe chete ne dhongi nekuti ndokwaive
nedanga.
Isu taive ticharivakirwa nani hedu baba vaive vava mombe yemashanga.

Ndakapa vaMutema pekugara ndikavaudza kuti ndakutevera mai kwambuya


ndinovadaidza.
Ndakaenda kwa mbuya ndichimhanya. Kwambuya vedu paive nekachinhambwe
kubva pamba pedu.
Ndakasangana na amai vachangobva pambuya vachitotinha mombe ne dhongi
ravo. Handina kumboda kunonoka ndakangosvikoti; "Mhamha, mhamha
mukudiwa navaMutema izvozvi kumba".

"Kwakanaka????"
Mai vakabvunza vachishamisika ndakangoti,
"Eeeh mhamha mhanyai, chindipai mombe ndotera nadzo na Namatirai".

Amai havana kuzombobvunza zvakawanda vakatoti tichitevera hedu ne mombe


naNamatirai.

Takafamba tichinhonga maroro naNama wangu. Apa pfungwa dzaingonetseka kuti


pandichasvika kumba ndichawana mai vari mu moode ipi.

Ndaitoziva kuti vachangosviko udzwa kuti ndini ndaiva ndamutuma Ruregerero.


Aaaa hameno, ndozozviona ndaveko.

Takazosvika nemombe nedhongi zvedu paya. Ndakawana vaMutema vachiripo


vachikurukura naamai. Ndakangoti hapana chakanaka apa.

End of chapter 3

To be added mu WhatsApp grup app number above

Mai Nyevero vakaenda vaine mibvunzo yakawanda. Why


vaMutema vavavinga? Why Nyevero akasira kudzoka kuchikoro? Ko
pavachaudzwa zve mango vachizvitora sei?

Chapter 4

Takati takusvika pamba ndakaona vaMutema vachiripo ndakatoziva kuti hapana


chakanaka apa.
Asi chekuita panga pasina ende hapana zvandaivaita.

Ndakati kuna Namatirai mhanya kumba, apa ndaida kunosiya mombe kugandiwa
rataiva tisina kurima kuti dzifure zvadzo imomo. Ko isu tairima minda mishoma ka
nenyaya yekuti taive vakadzi chete.
Ndaigarodemba-demba kuti dai ndakaitwa hangu mukomana taisazombotambura
zvakanyanya kudai. Ndaizoitawo mabasa echi boys boys, pamwe na baba dai
vasina kumbotirasa kudai hanty chavaida mwana mukomana?

Asika ma dai dai hashande, chimwe chaindirwadza kwambuya kwaive


nemukomana webasa vaitadza kana kuti atirimirewo iyyy zvakaoma. Chikafu
chaicho vaidya vachirasa vaitopa vanotambura muraini kuda kuitwa mutsvene.
Mbuya kana ma gerofurendi a baba vaitotambira nekuti vaida kudya tunonaka utu
twaidiwa kugara vachitsenga kunge dhongi.

Ndakazosvika zvangu pamba ndichiita kunyahwaira kunge mberera yegudo riya


rinofamba rega apa ndizere nekutya.

"Iwe Nyevero! Huya panopa, famba tione unondishurira here nhai mwana wa
Rambwai"?
Ndi amai avo vaita kukarara nehasha. Ndakatoziva kuti hapana kumira mushe.

Kkkkk aah kuseka nhamo serugare. Ndakangoti hooo nekuti ndatadza ndakunzi
mwana wa Rambwai ndikagona ndava wavo hooo nhai.
Rambwai was my father's name instead yekuti varambwe sezita ravo
ndovakatatotiramba.

Ndakakweva nzondora dzangu ndichiswebera pasi pemu habhurosi paive na mai .


Ndakaerekana ndapasi ndakaona nyeredzi kuti vai -vai maskat machena. Amai
vanga vasat vambondirova nemaoko kubva chizvarirwo, asi apa anga atsamwa
Chihera.
Regai zvinzi vana Chihera vane moto kana vatsamwa makwikwi kani.

Ndakasimuka kwakumira ini ndaisachena nanhasi handichemi chero ndikarohwa


sei kana kutukwa sei misodzi yangu inobuda panhamo chete that's me.

"Eh -eh kasira kutaura zvawaita ndisati ndakuvhara imwe mbama".

Ndakangoramba zvangu ndakati tuzu ziii kunge muroyi ayedzerwa.

"Unopenga here iwe Nyevero? Ndokuuraya ini! Wanga uchituma mwana kunoba
mango wanga uine nzara? Hauna kutaura mbuva hee?" Vakange vopenga
Chihelele.

"Iwe ndipindure tauraka, wava mbeveve here?"

Ndakaona kuti mai vangu vatsamwa sure ndakatarisa Ruregerero ndakanzwa hasha
kuti sure sure nekuda kwekukara andipinza munyatwa yese iyi.

Asi pandakaona ruoko rwake uku achichururuka misodzi ndakabva ndanzwa tsitsi.
Ndakazongokwanisa kuti,

"I'm sorry mom handichazvita ndokumbirawo ruregerero".

Amai nehasha vakandipa rimwe gwati rembama ndakadzedzereka ndikanowira


pamakumbo avaMutema. Vakandizavhura ndakanomira kwakadaro uko iyyy baba
vanga vakaoma havo ivava.

"Ambuya handina kuuya pano kuzoona firimu iri. Makundipedzera nguva yangu
pano dakuenda ini" ndivaMutema avo.

"Ndakuudzai kuti pa mango idzi dzatemhwa nevana venyu mondipa muripo we


$20 ndiende zvangu".

"Yoweeee!!!"
Ndakakarika ndadedzera, ndakangoti baba ava havatinzwiriwo tsitsi here?
Aaah kana idzo mango dzaiva mumuti wavo wese dzaimbosvika $20 vaive votoda
kupfuma nesu.

Amai vakachema chema vachizama kukumbira kuti vaMutema vadzise muripo


kusvika pa $10 , vaitirawo kuti vagosara neka 5$ pa $15 yedu iya yaiunganidzwa
for school fees .

VaMutema vakaramba vakaoma moyo kusvika mai vazoti,


"Ndokupai hangu $15 ndoyese iri mumba mangu ".

Vakazobvuma vaMutema vaya vakati,


"On one condition mouya ndokupai ndima yakusakura ye balance $5 yasara".

Iyyy kana ndimiwo baba ava moyo waive wakaoma kunge dombo chairo.

Amai vakabvumirana nazvo vakatora $15 iya vakavapa vakavavimbisa kuti


vaizouya kuona ndima vabva kuchipatara na Ruregerero.

VaMutema vakaoneka vakaenda havo, nhamo yaive yasara yekutsvaka mari


yekuchipatara nekuti kudhindisa card yaiva $5 asi papasisina.

Amai havana kuzombowana nguva yekupopota vakangoti Nyevero chisara


uchitova tova Rue ndimbomhanya kwambuya venyu kunotsvaka $5 yekuchipatara.

"Ehoi amai". Ndakasara ndopindura mai vakutofamba kuenda . Ndakaisa


munamato wekuti amai vanowana mari. Amai kunamata vanga vakatidzidzisa kana
prayer yairohwa na Namatirai waiti munhu mukuru iye ane 4yrs.

"Baba vangu varikumusoro kudenga ndauyawo pamberi pechigaro penyu mwari.


Tirangarireiwo panguva ino yekutambudzika itaiwo amai vanowana chekuita
tibatsirewo munin'ina wangu akurwadziwa. Nyorovesai moyo wa mbuya na sekuru
vatipewo mari. Amen"
Pakadai mwari unombofunga kuti asi havako nekuti zvinhu zvacho zvakabva
zvatoita bad to worse chaiyoko.

Apa ndichitoona kuti munin'ina wangu akurwadziwa. Ndainyatsonzwa marwadzo


acho achidairira nemuviri wangu.

Taka.....

Chapter 5

Takanga tachigara zvino takati kwangwa nzeve sedzetsuro apa kukura kwadzo,
nzeve dzacho.

Takatarisa kunzira kwaiva kwaenda na amai. Ndakazoona tumhu -tumhu amai


vakubvawo nerimwe divi ndakangoti regai tinzwe navo vasvika.
Pavakanga vakusvika amai, ndakaona misodzi yakazara pamatama avo. Chokwadi
ukaona mubereki akuchema pamberi pevana ziva kuti apererwa nezano.

Ndakamhanya kunochingura amai vangu uku moyo uchiita kupisa neshungu kuti
shuwa shuwa baba dai vaitisapotawo pasina zvese izvi.
Takasvikogara parukukwe paseri pehozi paive pane mumvuri sezvo zuva raive
rorova nhongonya.

Namatirai kakabva kauya kwakugara pamakumbo paamai kakati ,


"Nhanha ukuchemei? Huya totamba nhanha uku". Kachipukuta misodzi ya mai
yaichururuka. Kkkk Namatirai aifunga kuti munhu akangochema atova nhanha.
Ko kuzoti huya tinotambe kkkkk ah regai zvinzwi mwana mudiki hana chanoziva
chokwadi. Kana kuti atoziva kuti mai vari kurwadziwa zvake she was just innocent
my little sister .

Amai vakazonyarara ndikavasiya kusvika shungu dzaserera.


"Nhai amai kwanziko kwambuya kwamadai kuuya muchichema? Mapiwa here
mari nhai mhamha?"

Kwaingovawo kubvunza kuzadzisa chirevo uku. Ndounonzi mubvunzo nhando


chaiwo.
Chokwadi dai vakanga vapiwa mari vaizouya vosvikogara vachichema here?
Vachirega kuenda kuchipatara nemwana?.

Vakamboramba vakanyarara kwekanguva hameno kuti vaifungei.

Ndakarovera moyo padombo ndikabvunza zvekare, "Mhamha hanziiko kwambuya


kwamamaenda?".

"Nda-nda - ndanyimwa mari vanangu".


Vakaita kundandama neshungu .
Amai vakazotsanangura kuti zvavakasvika kwambuya, ambuya vati havana mari
yekutambisa kurapisa pfambi dzawakazvara, kureva inika nevanin'ina vangu.
Vakati pavanga vakubuda kuti vadzoke baba vedu pfacha nerwusikana rwavo.
Ko handiti kwambuya vaitambirwa.
Hanzi ambuya vaiti havana mari kwakutodeedza Sean kuti amhanye kunotenga
bhuroira kwaShambare kuti vabikire muzukuru komana wavo aive akatakurwa
naiye marwei uya. Kuda kusvotesaka mai vangu zvakaoma hazvo.
Sean aive mukomana webasa wa mbuya.

Amai vakati vaudzawo baba nezve kurapisa Rue asi vaitoita sevakapakira zvimiti
munzeve zvavo. Ivo marwei hanzi vakagoti kutuka mai kuti ibva pano
wakarambwa kare na Rambwai akuda inini ndinomuzvarira mukomana. Kkkkk
sure dai ndaizombosangana navo mai ivavo ndaivabvunza mubvunzo wekuti
'muripiko?' Seka urema wafa hama wee!!
Ndozvakarwadza amai kusvika vazouya kumba vachichema.

Vaive vapererwa nezano uku vakuti saka mwana otokura ari chirema?
Ndichinzwa izvi ndakaita hasha zvokuti ndakamboda kuvavinga ivo baba
kwambuyako, asi ndakazvidzora ndikati mubereki mubereki, vachazoyeuka bako
vanaiwa havo.

Ndakatanga kuronga nekurongonora mupfungwa dzangu.

Ndakasimuka ndikafamba ndikadzoka ndikafamba ndikadzoka.


Ndakatora ka fon ka mai kwakufonera sekuru hadzvadzi yamai ainzi ba
Kupakwashe vacho. Vaive Doctor pa Harare hospital ndaiti pamwe vangatipao $5
zvayo kuti Rue anorapwa asi ndaizvinyepera.

Regai vakuru vakati "Nhamo yeumwe hairambirwi sadza".

Sekuru pandakataura nyaya yangu vakatopopota,


"Hey hey stop calling me I don't have money to give to Tambudzai's kids because
she disobeyed our..... ".

Handina kuzomirira kunzwa nhoroondo iyi ndakabva ndatodimbura runhare


ndakaona kuti hapana help apa.

Tambudzai was my mom's name aaah kutambudzwa chaiko sezita ravo mazita
atopa vana aya aiwa mamwe bodo anotsimbirira vana.

Ndakazama kufonera sekuru baba vababa vaigarawo kuHarare vachishanda


hameno kwainzi ku Bakers Inn. He was my last option asi mwari vaiti ita hako
pauchagumira ndopandichatangira.

"You have insufficient credit to make this call please recharge to make this call".

Kakadaro kamurungu kepa fon kaya .


Ndakati tuzu ndakatarisa amai vangu vakabata Rue pamakumbo uku
achingoshinyira kunge rovambira razvimbirwa nekambudzana.
Ndakazvirova rova musoro ndichiti, "Nyevero think think think"!

Yes yes !!. Zano ndariwana ndakanyevera amai zano rangu.

Amai ! Ndafunga kumhanya kwamai Nokutenda vasanotipa havo $5 pamari


yepamukuda kuzosakura paya? Vozotipa balance tapedza, ndonototanga nhasi
zuva rodoka kusakura sezvo mangwana iri weekend ndoenda futi makuseni ndisati
ndavhura mombe".

"Nhai Nyevero mwanangu unoti mai Nokutenda vangazotinzwa here mwanangu


ivo baba vako chaivo vatadza kutipa mari yekurapisa mwana wavo?"

Ndakambofunga tsumo iya yekuti, "Chawawana idya nehama mutorwa ane


hanganwa".
Ndikati asi apa mai vane dama, asi my inner man was saying something else.

"Mhai matanda maedzwa unosiya nerakaora".

Ndakati chitsoka ndibereke ndakananga kwa mai Nokutenda kuya.

Paive kachinhambo kubva pamba pedu, ndakasvika ndiri chahwiriri chaicho


zvekuti paive nembwa dzairuma ndakazvikanganwa.
Ndototenda mwari kuti ndakawana dzisipo musi uyu ndaiitwa kanyama -kanyama
musi uyu, dzairuma kani imbwa idzodzo.

Paghedhi pavo paive pakatonzi,


"Beware of dogs!!".

Waitoshedzera uri kure kuti batai imbwa wozosvika.

"Kwakanaka here Nyevero mwanangu?"

Vakabvunza vaona munhu asvika achimhanya .


"Eh mhamha",
Taiva takadzidziswa kuti munhu mukuru wese ndimai.

Ndakazotsanangurira mai Nokutenda nyaya yekukuvara kwa Rue , ndakavaudza


chokwadi kuti Rue aive adonha mumumango mavaaMutema achiba mango.
Handina kumboda kunyepa ndakatofunga kachirungu kaya kekuti, "the truth will
set you free".
Kana mwari havadi munhu anonyepa.

Ndichipedza kutaura ndakaona mai Noku vachiratidza kurwadziwa, ndikati zvangu


zvaita.

Ndakagadzirisa pahuro kunge ka munhu kakuru ndoda kutaura zvandaive


ndanyatsofambira.

"Mhamha muchiona ndauya kudai tanyimwa mari kwa mbuya uko saka hatina
hana $ zvaro kumba uku. Rue akungochema asi chekuita tashaya.
Ndandichikumbirawo kana muchikwanisa kusanondipawo $5 pamari yendima
ikuda kuzosakurwa iya. Ndotouya ndotanga kusakura nhasi zuva rodoka".

Ndima yaive yapiwa amai yaive ye $10 .


"It's okey my daughter I will give you $15. Mozouya mosakura kana mama
vadzoka kuchipatara kwacho".

Ndakati mwari mandibvira nepi ?

Vakamhanya ku bhedhurumu kwavo vakadzoka vakabata $15 iya


vakanditambidza.

Moziva ndakamboti asi ndikurota ndakazvitsunya wanike ndakasvinura wena


ndanzwa kurwadziwa.
Zvekuti handichemi uhhhhhh hama weee ndakazongoona misodzi yakubuda.
Those were tears of joy kuti munin'ina wangu akunorapwa.
Ndakapfugama ndikatenda I don't know how to explain it but ndakatenda kunge
ndichabvaruka maoko nekuombera.

Vakasumuka mai Noku vakandisimudza vakati,


"It is well my daughter".

"Mhamha handichagari maita basa. May God bless you".

Vakanyemwerera havo vakati,


"Thank you daughter I receive".
Vaimbova ticha saka chirungu haaa vaisvisvina.

Pandakanga ndakubuda ghedhi Showman akabva asvikao. Showman aive


mukomana webasa wamai Nokutenda. Mai Noku vaive nevana vavo vaviri
Nokutenda na Melinda asi vaidzidza kuboarding. Ipapa vanga vangouyawo asi
vaigara kuHarare kwaishanda murume wavo .
Ndakangoti mwari maita henyu makatuma murandakadzi uyu kuti azotibatsira.

"Nyevero Nyevero!! Dzoka mwanangu".

Ndakamboda kuramba ndichienda ndikati pamwe vazofunga kusandipa $15 iyi.


Aaah hameno mwari ndakadzokera ndichimhanya.

"Ndadzoka mhamha mandideedza here?"

"Ehe mwanangu waita rombo rakanaka Showman auya uyu. Chiperekedzwa


nekarori kabaNoku aka. Show wotonomhanya na Rue kuchipatara".

"Mhamha mwari ngaakuwedzerei pamatapudza uye musaitire isu chete asi neavo
vanotamburawo sesuwo".
Ndakapinda mumota muya Showman uya aive akutodhuruma kuti tinde. Apa raiva
rino hofori yezirume dema dema iwo mazibvunzi maiwe ungati mufushwa
wepanhamo aaah aityisa kutarisa, ndakangoti chero taenda.

Pasina nguva tatasvika ko tatafamba takagaraka nhai.

Handina kuda kupedza nguva kutsanangira mai zvaive zvaitika.


Ndakangovatambidza $15 iya. Ndokuvaudza kuti Show aive anzi aende navo
kuchipatara.

Amai vakasekerera vakatenda mai Noku nerudo rwavanga vaita.

Ndakapfekedza Rue hembe yake yekufambisa yaive imwe farisai na suwisai.


Amai vakangotora ma card a Rue nekutopfeka ma Tommy avo havana kana
kupukuta tsoka.

Ndakangoti hameno vanonogezawo mberi kumba kwa mai vavo handiti kwaive
kwaMurambinda ikoko. Ndaizivei kuti mberi kwacho makwikwi.

Pakangobuda vana mai ndakakiya misuo ndakuti tinotarisa mombe tifudze


tichienda kwambuya kunovharira ndozodzoka nekundima yedu iya .

Ndakaisa Namatirai kumusana uyo aive akuchemera mai. Apa ndoyaive 1st time
kuzorara tega pamba ndaitotya kuti dai kwarega kusviba.

Pandakasvika kwataive tasiya mombe I get the shock of my life .

Mombe dzaka..........

Chapter 6
Pandakati ndinotora mombe dzandaive ndichifudza ndichienda kunopfigira,
mombe dzikati wakandiisepi nhaiwe chimhandara?

Ndakanotarisa kuseri kwekachikomo kaive pedyo nesu . Ndakawana zero zero


mombe dzaiva dzisiko.

Ndakachiti tuzu ndakadaro kunge muroi ayedzerwa akunyara nyara kuti opinda
pai. Ndakashaya kuti asi dzabiwa kani mombe idzi? Dzaendepi chaizvo?"

Ndakahwengezura Namatirai ndiye kacha kumusana iwe, ndunduru- ndunduru


nekwainangwa ndaimbokuziva?

Ndakangoti chauya chauya ndakananga kuminda yevanhu kunotarisa mombe


dziya.
Apa Namatirai airema zvake ndakatanga kunzunzutira iwe ndiye pasi kudubu,
Namatirai pasi ini pamusoro agoti kwetsu mhere. Ko anga arwadzuwawoka
nekutsimbirirwa neni.

Pandakada kusimuka kuti ndinyararidze sisi ava tienderere mberi nekwataienda,


ndiye dhuma -dhuma maziso na Sabhhuku vakabata uno muzvabharara we shamhu
yemupfuti. Mouzivaka mupfuti une gavi uya wekuti ukarohwa nawo unonzwa
parere moyo.

"Hooo mukutotamba zvenyu muchisiya mombe dzichidya minda yevanhu?"

Ndakarohwa nehana, yaiita kuti, dhi- dhi- dhi -dhi , kunge madhongi akutiza
mapere.
Ndakatanga kubvunda zvino kunge rutsanga ruri mumvura, uku madhende angu
aive anyorova hameno ndanga ndatozviitira nenguvai ipapa.
Iko kutya kurohwa kwandaiita? Uhmmm but to my surprise ndaisachema
ndikazorohwa kwacho.

Ndakamboda kuti chitsoka ndibereke kutiza baba ava, ndokubva ndazofunga


Namatirai wandaive naye. Ndikatoona kuti apa handihwini.

Ndakaramba ndangoti tumbi paya. Ndakaona voiregedzera shamhu iya, veduwee


ndakapiwa nhatu. Mwana wa mai vangu akati aibongomora mhere kunge ndiye
arohwa. Akanga anzwawo tsitsi akati sisi vakurohwerwei.

Vapedza kundirova ndakati pada vachadzokeraka kumba kwavo .

"Madyisa mumunda mangu handei kuna mai vako tione".

Ini aaah ndokwazvichasvika??


Ndakatanga kufunga hope dzandakarota dziya. Ndomadhaka acho here aya nhai
mwari? . Ko tonamatawo wani? Ndakazvibvunza mibvunzo isina akapindura.

"Iwe chisikana usandipedzera nguva yangu wakangoti dzororo ipapo.


Famba tione". Ndi sabhuku avo .

"Mha-mha-mhamha havako. Vaenda kwaMurambinda kuchipatara na Ruregerero".

Unonyepa!! Famba -famba handei kumba tione".

Ndakangoti zvakaoma mwari kubva tavengwa neraini rose chokwadi.


Uhmmmm murombo murombo chokwadi hapana anombokunzwirawo tsitsi kana
zvinhu zvakaoma.
Apa ndakatarisa ndikatoona kuti chakanga chadya mumunda make sabhuku
imombe dhongi paive pasina. "Saka dhongi riripi manje?"

Ndakangoti regai ndifambe vanozvionera pamhuno sefodya. Ko handiti vaida


kutenda vaona sa Thomas?

Takadungamidzana takananga kumba kuya, vakasvikoona misuwo yakatokiwa.


Asi dzavo pfungwa dzakatadza kudhonza vagoti goo kugara .

Nxaa ndakasvotwa kuti baba ava vakutinonotsa, ndandatomubishi kufunga kuti


ndongi ndoriwanepi apa?
Ko kana raendawo kwevamwe nhamo yacho tauzoikunda here nhai mwari?

Ndakangoita ka prayer mumoyo.


"Mwari tirangarireiwo panguva yakaoma kudai imi mwari ndimi munoziva
chinangwa chezviri kuitika muupenyu hwedu. Chiitai kuda kwenyu mwari wangu,
Amen".

Takagara dzinenge 30minutes vachiti vachauya zvavo mai vako.

Sezvineiwo Showman ndiye vhuu nekarori akubva kunosiya vana mai, anga apiwa
kanyama ke $ na amai kuti tigobikisa manheru aya.

Ndakatomboda kupururudza pandakatambidzwa kanyama kaya, asi ne tsekwende


yatatapinda iyi ndakangoti,
"Maita basa mukoma Show".

Vasabhuku vaya vakazoudzwa na Show uya kuti chokwadi mai Nyevero havapo,
vari kwaMurambinda na Rue.

Moyo mbuuuuu sedivi retoto!


Show akaoneka zvake akarova pasi.
"Kana vadzoka mai vako vauye kumba kwangu vaone zvaita mombe dzenyu,
kusakadza munda wangu?
Wanzwa here iwe??"

Chokwadi mombe imwe chete kunzi mombe dzenyu? Inga zvakaoma chokwadi .
"Ehoi ndovaudza kana vadzoka".

Ndakangodaira kuti zvindibve vachienda baba ava.

Ndakaberekana na Namatirai takunotsvaka dhongi Manzuma yaive yatorara zvayo,


ko handiti yaive yaguta?

Takananga kumunda kwamai Tino paive padhuze nepedu kana kuriwana.


Ndakangoti koiyo mombe iyi chokwadi yapenemedza minda ichisiya pamai Tino
kunanga kwaSabhuku ayaya.

Ndakatsvaka kose kwandaifungira iyyy ndakatoona kuti hapana hapana.


Ndakangoti ndakutonoenda ne mombe hameno dhongi ndozorionawo nevachauya
naro.

Ndakarohwa nehana kuwana dhongi rakatorarawo paive na Manzuma paya!!

Rauya nani? ? Ranga raendepi? Mhinduro ndakazoiwa zvangu pandaive


ndakutoenda kwambuya nezvipfuwo izvi.

Ndakaona mugandiwa rechibage pataitotarisirawo padyiwa dyiwa zvapo


nebhongoro iyi .

Ndakaita kurukutika chaiko kunge kahuku kanaiwa.


Asi chekuita panga pasina ndakangoti mwari kudzwai, zvirinani radya mumunda
medu harina kuenda kwevamwe.
Takananaidza mombe yedu nedhongi takananga kwa mbuya. Ndaida kuti rivire
tavharira mombe sezvo ndaida kunoti batei pandima iya kwa mai Nokutenda.

Ndichisvika kwambuya ndakaona haikona baba na marwei varikudyisana ma


bhisvo mbuya vachingonyenama nyenema kunge pfambi yaratidzwa foundation
yebhawa. Chainyenamisa chaiva chii ipapa?

Ndakangovamhoresawo zvechirango asi moyo waisatoda. Handina kana kudairwa


ndakati hanya nani chidhoma chekwa Gutu.

Asi mwari vaiona havo ndovanoziva. Nekuti chataive takatadza isu hapana hatina
kumbo applier kuuya panyika isu. Vabereki idai vana venyu chero mukomana or
musikana nekuti zvipo zvinobva kuna mwari.

Ndakasiya mombe dziya ndiye hutu kwamai Nokutenda.

Ndakawana vasipo ndakaratidzwa ndima yedu na Showman asi aiti vanga vati
ndozouya mai vadzoka.

Pamwe vaive vonzwawo tsitsi hameno. Ndakangoti ndipei badza mukoma Show,
mhamha ndozovaona mangwama kuseni.

Ndakarirova badza haikona kutamba. Ko tatajairaka handiti tairarama nemaricho?

Ndakazokumuka mundima kwakuda kusviba , handina kuzonodzokera ne kumba


kwavo. Ndakachekerera nemumapani nemwana wamai vangu kumusana.

Takasvika kumba kwakutosviba ndikagezesa Nama , uku ndichifara kuti nhasi


tikudya nenyama yatatane mwedzi kana gore tisingadyi.
Pandakazoda kuti nyama ndise muhari , ndopandakarangarira kuti
pandakatambidzwa nyama na Show ndakaitsveta pamusoro pezumbu rehuku.
Pandakati ndinotarisa ndakawana pangosara mabonzo boki aita basa rake zvake.

Nyama yaive yadyiwa nekambwa kedu, ndakambofunga kukarova asi zvaibatsirei?

Yanga yatodya chero kurova hapana chaidzoka. Ndaka mhanya pachuru


kunotsvadzvadzira zvimubora ndikabika tikadya. Murombo haarove chinenguwo
sure. Mukanwa maiva makutotapira mega nekufunga nyama. Bhoki
akandigadzirisa.

Ngatinzwei kuti mai Nyevero vakafamba sei kwavakaenda uko.

Pavakasvika kuchipatara mai Nyevero vakanzi Rue anga angominyuka ruoko.


Akazopiwa hake bed asi ainzi aibuda zuva raitevera.

Amai Nyevero sezvo kumba kwavo paive pedo nechipatara vakati chiregai ndorara
kumba ndozodzoka mangwama ku visiting ye kuseni.

Pavakasvika pamba pevabereki vavo vaka........

End of part 6

Mai Nyevero vakaitwa sei pamba pevabereki vavo?


Pavachadzoka mai Nyevero vonzwa yekwa sabhuku vachaita sei ?
Ko ivo sabhuku vachaita sei?

Nyevero
Chapter 7

Mai Nyevero pavakasvika pamba pevabereki vavo vakaitirwa mashura


nezviratidzo, mbuya Kupakwashe vakavavapopotera zvainzwisa tsitsi.

"You fool , what are you doing here? Get out of my compound!!. You are not
welcomed here please".

Amai Nyevero vakazama kutsanangura zvaive zvavasvitsa pamba pevabereki


vavo.

"Amai ndauya ndiri kungodawo pekuisa musoro kwanhasi chete ama.


Ndauya nemwana apuwa mubhedha kuchipatara, ndomuka hangu usiku utema
ndichienda".

"Pwamai pwamai kudii kwacho? Kasika zvako kubva pano".

Pavaigwauta kudaro mbuya Kupakwashe sekuru vaive vari zii, vaitongwawo na


mbuya sekuru vanhu aaah. Pamwe vaive vadyiswa nefoshoro hamemo.

"Pane chawaishaya pano iwe? Heeee!


Iyezvino aripi Rambwai wawakamhanyira?
Maimhanyira dzimba moti dzinotiza?
Aya mazvokuda aya enda unotambura kumba kwako kunhamo uko!"

Vakapopota kani mbuya Kupa, chokwadiwo mai Nyevero vanga vakazvisikira


moto muziso.

Baba na mai vavo vaive vanhu vaive nemari apa vanga vapamudyandigere zvavo.
Vanga vakudya penjeni yehuticha vese murume nemukadzi.

Apawo ma sibling aamai vaive vakadzidza vaine mabasa epamusoro.


Sekuru ba Kupakwashe vaive Doctor ukuwo munin'ina wa mhamha aive kunze
kwenyika nemhuri yake.

Pamba pambuya vangu hapana chaishaikwa, asi mwana wavo Tambudzai uyu
uhmmm vaive vamurasa zvechokwadi.

Kkkkkkk ndakambovati 'asi nhai mhamha gogo na sekuru havasi vabereki venyu?'

Vakaseka zvavo vachiti zvaNyeve askana. Asi ndaiita sendaitoporofita,nekuti


ruvengo rwavaitirwa rwaive rwakanyanya. Hongu mai vaive vatadza asi ko isu
vaitivengawo takanga tatadzei? Vakazozvionera pamhuno sefodya musi uyu.

"Tambudzai get out of here please before I loose my temper. You are not my
daughter anywhere so........!"

Ambuya Kupa havana kuzoupedza kuromo wavaida kutaura uyu, vakaupiwa


mucheza wembama nemurume wavo.

"Mhai matiiiiii??" Vakabvunza mai Nyevero nehasha nezvaive zvabva kutaurwa


namai vavo.

Mai vavo vaive vongobwaidzika maziziso sekiti ikuhwandira makonzo.


Moziva kuudzwa kuti vanhu vawakakura uchiti vabereki vako havasi vako wakura
kudaro zvorwadza .
Unotombofunga kuti pamwe
ukurota uchamuka hako.

Baba vamai Nyevero vakazorondodzerera amai zvakanga zvaitika.

"Mwanangu Tambudzai, ini na mai vako ava takaita 5years tisina mwana, saka
pressure yakanga yakuwanda kubva kuvabereki vangu. Vakanga vakuti ndirambe
mai vako ava.
Saka takaita fake pregnent kwakuzono adopter iwe pakakwana 9month. Saka
mwanangu waiona mai vako vaikusarura nekuti you are not her bilogical daughter.
Ruvengo newe vakatanga pavakaita nhumbu yaJustin (ba Kupa)".

Mai Nyevero vachinzwa mashoko aya vakatanga kusvimha misodzi, asi hazvina
zvazvaichachinja.

Yadeuka yadeuka mvura yemudemhe haidyorwrwe.


Asi chokwadi mai, vangu save their marriage vovabata nekunze kweruoko kudai?
Nxaa! Only God knows and he will judge them for their evil deeds.

Moziva chero mubereki asiri bilogical parent yako, akakutokura achikuchengeta


munotoita bond.

"Saka nhai baba where are my bilogical parents?" Mai Nyevero vakabvunza
misodzi iri mokoto mokoto .

"Chokwadi hatitozivi kuti varipi nekuti patakaku adopter wainzi wakangonhongwa


pa rank. Sorry hako mwanangu mai vako ava vane gaba remuromo robvinza,
vangobvaruka kutaura. Ndaisada kuti uzive izvi nemutowo uyu mwanangu.
I'm so sorry my daughter I'm still your father".

Mai Nyevero vachinzwa kuti vakaita kunhongwa misodzi yavo yakawedzera. Saka
was this her destiny ?.

"Your father your father my foot!!. Chibva pano Tambudzai handiti wanzwa
chokwadi usauya pano zvakare".

Mai Nyevero vakatora plastic bag ravo raive nema card aRue nembatya
dzekuchinja. Vakaoneka baba na mai vavo vakavatenda nepavakavabatsira napo
kubva pavakavatora ku orphanage. Vakatanga kufamba havo vobuda gedhi.
Apa kwaive kwakusviba, zvino vainangepi?. Mbuya yaive nemoyo wakasviba
kunge pasi pehari yabikirwa nhopi iyi.

Nxaa chavaitorera amai vangu kuorphanage chii? Kana vaiziva kuti vanozotadza
kuvabata zvakanaka vakadiii kuvasiyako. Pamwe dai vakatozotorwa nemunhu ane
rudo , who knows pamwe dai titoriwo neupenyu hwakanaka kutaura kuno.

Amai Nyevero pavakabuda pamba pevabereki vavo vakatora mugwagwa waienda


kuchipatara, nayo tande pfungwa dzavo dzakanga dzatokanganisika.

Kwakabva kwatanga kunaya chimvura mabwe. Pakapfuurawo nemota yaive


nekamwe kamudhara kakanzwira mai Nyevero tsitsi,
"Kwira mwanangu ndokusiya kwauri kuenda".

Vakakwira havo ko vaizivei amai vangu zvairongwa nekadhara aka?

Patakapedza kudya takabva tatonorara. Takakasira kurara nekutya sezvo waive


musi wekutanga kurara tega pasina munhu mukuru.

Ndakaita munamato wekurara,


"Baba vangu vari kumusoro kudenga raraiwo makandichengeta ini nemunin'ina
wangu . Musatisiya tiri tega baba , mugorangarirawo na mai vangu kwavaenda
nekusingaperi, Amen".

Ndaiti chero bete rikadonha hana yaitorohwa nehana. Hope hadzina kubata
zvekumhanya nekutya, uku sisi Namatirai vaive vakutoridza magwiriri zvavo.
Kuita mwana mudiki kwakanaka veduwee.

Dzakazondinyangira hope ndiye bwai -bwai rabu.


"Maiweeeeeee!!!" Ndakavhunduka ndichinzwa ndichibaiwa baiwa nechimuti
chaibva nepa window. Takanga tarara pamubhedha sezvo mai vaive vasipo. Saka
paive pakanangana ne window.

Ndakamuka chimbi chimbi hwetsuro chaihwo, pandakada kutsvatsvadzira mwenje


ndakanzwa mutsindo panze. Ndakambomira ndichiti ndinyatsoteerera,

"Tambu, Tambu mudiwa vhura gonhi".

Nxaa ndakabva ndatoziva kuti ndi baba zvavo ava vaive vauya vakuda zvevakuru.
Ndozvavaiita kana vauya negerofurendi, ko mai vangu vaigodiii? Semunhu aidawo
murume wake, uye vaifunga pamwe vangangozoitawo pamuviri vakaita mwana
mukomana.

Nxaaaaaaa!! Ndakaridza zitsamwa ndichivhura gonhi.


Ndione makumbo peya peya peya kutopinda kani mumba.

Ko idzo nyadzi ayaya, pavakaona kuti havasi mai vavhura gonhi ndofunga vaiti
pasi ndimedze nekunyara. Vana baba musadaro vana venyu kunze uko Kkkkkkk
musandituka henyu variko vana baba vakaita sababa Nyevero!.

"Aaah ko mai vako varipi? Vakuita zvezvikomba nhai? Vaenda kupi na 11 dzino?
Huh!!".

Nechemumoyo ndakangoti mwari nzwiraiwo baba vangu ava ngoni


varimuhusungwa. Hoo zvonaka zviri kwava sugar? Kwava salt zvovava nhai?
Mbavha inototyawo kubirwa nhai?.
"Amai havapo, vaenda kwaMurambinda na Rue akatyoka ruoko"
Ndakapindura zvangu.
"Hooo! Ko nei vasina kunditaurira kuti mwana akurwara?"

Dai vaisava baba vangu ndaivavhara neseri kweruoko. Vaifunga kuti handisi
kuziva zvavakanga vaita mai masikati?

Ndakaramba zvangu ndakanyarara. Ah chiregai nditorara nemi, manje hamusi


kutya here?"

Vakange vongorotomoka ini ndiri ziii kunge chimumumu. Ko nyadzi dzokunda


rufuka. Vaive vozvinyarirwa nehunhu hwavo.

Heya mai vangu pavanhu havavadi asi kuvavinga vanhu varara hoo nhai?

Hamemo vamugerofurendi kuti vainonzi ndararepi.

Ndakangotora ma gumbeze angu kwakuwaridza pasi. Namatirai ndakamusiya


aripo vakarara naye pamubhedha.
Ndakazonyatso rara kurota dzeumambo hope sezvo papane munhu mukuru.

Ndakamukobata jongwe muromo kuita basara rangu, sezvo ndaida kuzoenda


kundima kwamai Noku ndisati ndanovhura mombe.

Zuva rakazosara robuda ndatopedza nekubika mamhanga edu ataizodya masikati.


Baba vakazosara vomuka ndatodziisa mvura yavo yekugeza kumeso, kuti
vawaneka kufamba zvakanaka kudzokera kwambuya.

Shasha yakamuka ichinyara nyara kunge imbwa yapinda mubus. Ko vaigonyarei


pamba pavo? Mabasa avo avaiita.
"Vakaenda ne fon here mai vako?"

"Eeh!".
Ndakapindura ndakatodhinhiwa zvangu .

Ndakaona shasha yakufona,


"Helo helo!. Mukundinzwa here? Arisei Ruregerero? Aaah hooo zvakanakai.
Ndakutumira $20 pa ecocash mutengere vana mauniform neshangu dzekuchikoro.
Heloo, Heloo"

Fon yamhamha yakabva yati du-du-du-du battery low.

Pakarepo ndiye...............

End of chapter 7

To be added mu WhatsApp grup inbox number above

Baba Nyevero vachaisa here mari?


Ko mai Nyevero kadhara kaya kaidei?
Kwa sabhuku vachanonzii??

Chapter 8

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

Pakarepo nharembozha ya mai Nyevero yati du-du-du-du , ndiye dzitya .

Sezvo mai Nyevero vakanga vabirwa ,vanga vasina kuzokwanisa kuwedzera moto
mu nharembozha yavo.
Ngationei kuti mai Nyevero vakabirwa sei ? Kupi, uye nani?

Pavakatakurwa na baba vaya vaifunga kuti inyasha dzavaitirwa, izvo aiwa baba
ava vaitovewo ne plan yavowo.

Baba ava pavaka takura mai Nyevero vaitofara kuti nhasi ndozvibaya ndega.

"Moitwa ani nhai sistreni?. Ini ndoitwa baba Mark, asi vanondidaidza vachiti bla
Lodza". Kakadaro kachibvunza kamudhara kaya.

"Ndoitwa mai Nyevero , ndisvitsei henyu pachipatara apo munenge mabatsira".

"Aaaaah musatya henyu kana muchida kumba kwangu kune kamuri isina munhu,
mogona kunorara henyu imomo momukoenda zvenyu.
Kana kuti morara nemwanasikana wangu mukamuri make. Hameno kuda
kuchipatara ndiko kumba kwenyu".

Vachinzwa kuti mwanasikana mai Nyevero vakati,


"Ehoi saka handei hedu".
Ko vaizivei?

Pasina nguva vaive vasvika pamba pa bla Lodza vaya .


Asi mai Nyevero vakashamisika kuona pamba apa pachiratidza kuti paive pasina
kana munhu aivepo.

"Hezvoo! Ko vanhu vepano asi pane kwavaenda? Aah vanhu vandasiya pano
manje manje! Ko vaendepiko?".

Bla Lodza vakanyepera kudzungaira. Dzaive nhema bla Lodza vaigara vega vaive
vatizwa nemukadzi nevana vakaenda nenyaya yekushusha uye meso meso. Saka
vaiita hiring and firing zuva ne zuva (kuroora usiku hwega hwega negupuro
kuseni).

Mai Nyevero vakaona kuti vakaita dzungu havapaponi apa. Saka vakapfavira
ngoma zvavo.
"Morara henyu mukamuri umu sistreni".

Vakaratidzwa pekurara vakapinda zvavo. Pavanga voda kuti vabise nharembozha


yavo muhomwe yerokwe ravaive naro kuti vawane kurara, bla Lodza pindikiti
vakapfeka ka short uku vakaita kuburitsa ziso haikona. Pamwe vanga vanonokerwa
hameno ikoko.

"Sistreni ingondipaiwo zvinhu izvi, blaz hamunovaudzi tongoita secret ".

Munhu wacho aiti sistreni aayaya varume ka sometimes mofunga seiko imi?
Kkkkk ayas varipo vanofunga sabla Lodza musanditukawo.

Mai Nyevero vakaona kuti pano pashata asi panoda zano rakatosimba kuti
ndipukunyuke.

Vakafunga chop chop kwakusekerera zvavo ,


"Bla Lodza yamataura hainetse asi mondipa mariii"?.

Bla Lodza yakafara ikati zvangu zvaita,


"ndokupai $150 sistreni".

"Pakanaka asi dai maita $170".


Ichinzwa izvi shasha yakarwera rute kunge bere raona mbudzi yakasungirirwa.
Haina kuda kunonoka kudaira,

"$170 ya ya deal!".

"Good"
Vakadaro mai Nyevero, vakabva vati,

"Saka bathroom iripi ndinotanga ndageza zvangu?".


"Straight from this room makuda kusvika ku back door uko ndopane bathroom.
Zvekugezesa munazvo here?".

"Eh ndozviri mu plastic umu".

"Pakanaka chiendai mogeza ndakumbonona news, kana mapedza mondideedza


simbi inorohwa ichapisa".

"Pakanakai regai ndingonoti wapu wapu ndouya ikozvino. Musazoendawo kure


pliz. Ndichidzoka muchindipa ini ndotambira ndisati ndashanda kkkkkk".

"Musandityira, ndonzi blaa Lodza ini".

Mai Nyevero vanobuda neback door riya , kwakufamba vakati kwati kwati
nemadziro kusvika vasvika pagedhi.

Pavakada kubata gedhi kuti vabude rakarira alarm yakaita kuti bla Lodza vabude
panze.

Luck paive nezimumango raive pedyo ne gedhi paya, ndopava kanozvambarara


mai Nyevero uku hana ichibika manhanga.

Lodza akasvika pa gedhi hamenowo munhu akabva apfura achimhanya panze.


Akabva angodzokera kumba akati pamwe ndiye anga abata gedhi.

Achingoti ngori kumba mai Nyevero vakasara vakaita kukwira mumuti muya kuti
vagowana kujambira panze nekuti duraho raisakwirika.

Vakatanga vakanda plastic panze kwakuzojamba zvakaita nani paive ne loan dai
paive pasina dai vakatyoka gumbo.

Shasha Lodza payakabva panze yakabva yananga ku room kuya, wanike hamuna
munhu kunoti mu bathroom wanike hamuna kana kutombogezerwa .
Yakambotsvaka tsvaka asi haina chayakawana it was too late.
Mai Nyevero vakabva vaita chahwiriri chaicho, vakazotanga kufamba vakwana
Chari night club kuya kudhuze ne gedhi rechipatara. Vaiti vakaona mota ichiuya
kumashure vobva vapinda musango.

Pavanga voda kusvika pa gedhi rechipatara ndiye dhuma dhuma nana mbavha,
vakahwengezurirwa ka plastic bag kaya. Ka change kaive kasara pa $15 iya
kakaenda ndomaive ne charger saka vasina kuzochaja nharembozha yavo.
Nharembozha ndoyega yavakasara nayo nehembe dzaive pamuuri nekuti yaive
muhomwe.

Vakazonorara zvavo pabench kuchipatara, vakatanga vatenda mwari aive avarwira


pazuva iri.

Vanga vasisina kana bond coin zvaro. Pavakafonerwa naRambwai vakachinzwa


kuti mari vakatofara kuti vaizowana pekutangira, zvino fon yacho zvayadzima
vasati vaisirwa mari?.

Baba pavakanzwa fon ya mai yadzima vakangoisa mari incase panoitawo mai fon
moto vaizoona mari , vakaisa $20.60 kuti mai vagotora $20 yakakwana.

Vakati vaizotipa mari ye schools fees yaive yasara mu wallet kwambuya . Zvino
naNamarwei yaizobuda?

Takasiya tapiwa $2 yekunotenga chingwa neRomi ivo vakarova pasi kudzokera


kwambuya. Hameno vanoti ndakararepi kuna marwei wavo. Isu taive totofara
kuzodya chingwa chatakange tane makore tisingazivi.

Manhanga ndakatombofidigira ndakamhanya kunotenga chingwa chiya


tikasvikodya zvedu. Bofu raive ranonga roro kani. Ndakafungawo mai na Rue
ndakavasiirawo half bread. Isu tikadyawo half.
Ndakazosiya ndakiya misuo ndiye hutu tandee nebani takananga kwa mai
Nokutenda kundima yedu. Ndaiti mai vaizouya vombozororawo kana vadzoka.

Ndakatanga ndaenda kumba kwavo chaiko ndisati ndapinda mundima, sezvo


Showman aive ati vaida kundiona ndisati ndatanga kusakura.
Takawana varipo havo vachitonwa svutugadzike yavo, vakatitambira nemufaro
mukuru kwavo. Vakatiedza chikafu ndikati takaguta sezvo taive tabva mukudya.
Asi Nama akatambira aah mwana mudiki bodo anokunyadzisa chokwadi.

"Mhamha ndauya ndati nditange ndauya kukuonai sezvo mukoma Show vakati
moda kundiona ndisati ndatanga".

"Ehh, Nyevero mwanangu moyo wangu ukundirambira kuti usakurire mari iya
yandakakupai, saka musasakura zvenyu mwanangu.
Uye pane bag randoda kukupa rine mbatya dzaipfekwa na Melinda".

Melinda aiva mwanasikana wamai Noku.

Vakaenderera mberi vakati,


"Monogovana nevanin'ina vako".

Moziva kana ndakambofaraka,, musi uyu ndakafarisisa. Ndakaita sendichabata


denga nemufaro.
Ndakagovatenda kasingaverengeki kuti chokwadi mari nembatya pamusoro? She
was a life saver that woman I tell you .

Ndakangoti mwari kudzwai, uye wedzerai mai ava rambai muchivapa nekuti
vanorangarirawo vasina. Vamwe vanhu anotopisa madhende ake than kupa
mumwe munhu .
Pavakapedza kudya vakunotora bag riya ndakavati vandipe ma plates ndosuka
hangu.
Ndakapiwa neyanga yakanzi sunlight liquid yegreen soo, kuti ndisukise. Ko
ndaiizivirepi, ndakanga ndisati ndamboishandisa ndiye dhu-dhu-dhu-dhu yese
mudish rekusukira apa yaive yakazara.

Ndakapinda busy sipo isisapera pama plates imii. Pakazouya mai Noku vachindipa
poto yaida kusukwa ndopavakaona mashura, kagubhu ke sunlight kaya
kakangunduruka.

Havana kana kupopota kanakundiitira hasha, asi vakatonditsanangurira


mashandisirwo ayo.
Ndakazopedza kwakusiya ndashainisa dzimba dzese haikona waiti asi I girazi kani
nekuti waizviona pasi mumba mandaive ndashainisa.

Vakanditambidza bag riya rembatya ne plastic bag rekwa OK raive ne sugar


,cooking oil , flour ne sunlight iyaaa.

Ndakapfugama ndikaombera ndikatenda ndokuoneka hangu takudzokera kumba.


Munzira mese ndaiimbirira kani mufaro wega wega. Ndingatadze kufara hembe
tapiwa grocery ne mari iya aiwa kana ndimiwo mai vaive nerudo ava. Ndakati dai
vaigara havo kuruzevha manje vaigarawo dhorobha kumusha vaiuya kashomanana.

Tsumo iya yekuti chitsaru cheumwe chitsva cheumwe ndeye chokwadi


ndakazvionera musi uyu. Takasvikogadzika bag riya ne grocery riya mumba
yekurara ya mhamha takamirira kuzorivhura vadzoka.

Sezvo nguva dzekuzarura mombe dzaive dzasebera takafamba hedu zvishoma


zvishoma tichikwira mimikosvo kusvika tasvika kwambuya.
Takawana haikona..............

End of chapter 8

Mai Nyevero mari vachaiwana sei?


Ko mai Noku varikungobatsira havo or?
Ko baba Nyevero xul fee ichabuda here ?

To be added mu WhatsApp grup inbox number above

Thank you for your support I love you all .

Let's meet in chapter 9 soon

https://m.facebook.com/Aka-Heather-stories-1748141092139907/

Nyevero

Chapter 9

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Takasvika kwambuya tikawana haikona , mbuya namarwei vachitukirira baba
kuitwa kamwana kadiki chaiko mongonzwa imi .

Ndakatombomira pamadziro kuda kuteerera, kkkkkk aaah vedu sisi Nama manje
ayas,
"Nyeveyo iwe fambaaaa!"
Kkkk aaah kuzodeedzwera kani.
Ndakanyepera kuita sendabaiwa,

"Ndikuda kubisa chandibaya Nama mira".


Kakabva kanyarara aaah vana vadiki dzinenge pwere.

Ndofunga baba vaive vati varikuda kutibhadharira school fees. Ndakazongonzwa


voice rambuya riri pamusoro soro kunge munhu akushaura pa nhamo.

"Kana washaya zvekuita nemari Rambwai, ndipe ndotenga shuka ndimwe zvangu
svutugadzike. Kwete kutambisa mari pamazidofo aya! Pfambi dzakazvarwa na
Tambudzai idzi aiwa kana kuti vana vako chaivo ivava? Imbozvitsvaga
mwanangu".

Ndakangoti mbuya iyi ka vanotiti madofo kana report yedu vanoiziva?

Ndakati mwari varegerereiwo mbuya vangu havana chavanoziva. Kana kumasowe


kwavaienda vaitadza kumbosimudzwa here kuti mai mune utsinye?

Nxaa ndakabudikira zvangu paruvanze pavo sendisina chandanzwa.

"Mamuka sei ambuya?"


Vakaramba vari ziii, kutofutisa matama kunge chana chidiki ayas. Nechemumoyo
ndakati mati madii gogas hamusati matanga tiri vazukuru venyu ende hazvichinje.

Mbuya vaive neutsinye kani, sekuru hapana chavaiziva nekuti kana grocery
vaitotumira neredu asi mbuya vairisakurisa zvavo.
Ndakutoda kupfuurira kudanga kunotora mombe ndopandakanzwa,
"Iwe pfambi iwe huya panopaa!".

Kkkk ayas ndakamboda kuseka zvangu, pfambi ini manje ko gerefurendi remwana
wavo tozomutii?
Ndakatendeuka zvangu kwakuenda pavaive vakagara.

"Yaaaa!! Kasika kutora ma plates ese ari mumba umo usuke achene zvekuchena
zviya. Wanzwa?"

Handina kudaira ndakangonotora ma plates aya kwakutanga kusuka zvangu Nama


aripadivi, ngawande ma plates acho . Kuita swepanhimbe. Ko muroora wavo aitei
nhai? Nhumbu asi inorwadza mumaoko here? Ndakazvishaya ini ,chokwadi kuti
godi kugara mumba mune tsvina vakadzi vakuru uhmmm!

Ndakasuka zvangu uku ndichimba kuti ndisanzwe zvavaitaura. Ndichipedza


ndikagoinzi washen mongonzwa imi, ndakati mwari pindirai.

Ndakanowacha gomo re washen iya beta mvura ndakatora yaive yanaya


yepamarata iya.
Ndakazopedza kwakuma 12 masikati, ko kuwacha tatajaira kuwachirwa na
mhamha iwo madzoto aiwatchwa neruredzo.
Isu taiwachawo ma uniform chete.

Pakavhura Sean mombe akasiya dzedu mudanga 1 mombe nedhongi zviri


mudanga zvaive zvongokuma nenzara.

Ndakanzi tsvaira nekushaina dzimba dzose wozoenda, chandakona musi uyu


zvakaoma.
Ndakazopedza kuma1 ndokunovhura mombe, kana ivo baba vaitadza kuvhurawo
mombe dzavo? Nxa vaive vakatoti pweshe kugara pamumvuri namarwei padivi,
vaita sevakadyiswa kana kurikudyiswa vavakapiwa nefoshoro chaiyo.

Takaenda zvedu kunofudzira kumakura musi uyu sezvo yaive weekend .

Ngationei kuti mai Nyevero vakazozvifambisa sei sezvo nharembozha yakadzima


vasati vaona mari.

Mai Nyevero vakavhunduka pavakatomutswa nevaida kutsvaira pama bench


pavaive vakarara. Vakanonoka kumuka zvavanga vasati vamboita semunhu aive
akaneta .
Vakatotadza kubata nguva ye visiting yemakuseni pavakamutswa apa kwakwatova
kuma 9am.

Vakafamba vachitsvaka chero mukoti wekukimbira charger ,sezvinei vakaona


umwe mukoti vakamukumbira kuchagirwa nharembozha yavo,asi vakarambirwa.

Vakashaya kuti vochidii zvino kuti vachagise nharembozha yavo.

Vakazofunga zano kuenda pa ecocash ku rank vokumbira kuchagirwa. Vakarova


nzira tande nayo vakanga kurank uku kahana kairova kuti ko ndikasangana na bla
Lodza vaya vanondiita sei?

Vakazoerekana vatosvika pa ecocash pfungwa dzichingopishana.

"Mwanangu ndokumbirawo kuisirwa kafoni kangu pacharger ndine munhu akuda


kunditumira mari saka kadzima".
"Ku charger foni I 50cents amai hati charge mahara". akapindura musikana aive
mu ecocash muya.

"Handina mwanangu".

"Saka mamati tokubatsirai sei nhai amai?"

"Kana mukandichagira ndikaisirwa mari ndozobhadhara zvangu mwanangu".

Apa vaitaura ne confidence zvekuti dai baba Nyevero vasina kuzoisa mari hamemo
paibuda chakanaka here.
Musikana uya akatarisa mai Nyevero kubva kutsoka kusvika kumusoro,
akadzungudza musoro akatambira foni iya akaisa pa charger .

"Waita hako mwanangu wabatsira mai vako.


Chirega ndogara pamumvuri apo ndichimirira iite tumoto".

"Zvakanakai amai".

Pa ecocash apa pane anga asiyawo kafoni seka mai Nyeve, paakadzoka
akasvikobhadhara muripo wekuchagirwa akatambidzwa ka foni kake.

Musikana wemu ecocash uya haana kuona kuti atambidza munhu foni isiri yake.
Infact she swap neya mai Nyevero. Uyu mukomana akapiwa akatomhanya
kunokwira comb yaienda Harare , yanga yatosara munhu one kuti isimuke. Comb
yakabva yarova past yakananga Harare via Hwedza.

Mai Nyevero vakazosimuka voenda kunotora foni kuti vaite ma transaction.


Vakatambidzwa foni wanike haisi yavo.

"Mandipa foni isiri yangu mwanangu".

"Maiweee!, Mhamha ndinenge ndachinjanisa ma foni nemukomana anga asiyawo


foni yakaita seyenyu iyi muno".
"Yuwii! Nhai mwanangu saka ndoita sei manje?" Vakapererwa kusvika
pekupedzisira mai Nyevero .

"Ndine urombo mhamha mukomana anga asiya foni pano wacho aenda neyenyu
handitomuzivi,,anga achiti akuenda ku Harare".

"Harare? Yowe nhai mwari huyai mundinzwirewo mashura aya . Saka Harare ko
ichadzoka nani?"

"Munenge makutotora iyoyo foni iye oshandisawo yenyu sezvo dzakangofanana.


Asi line motono replacer ku Chivhu sezvo pano paMurambinda pasina Econet shop
amai".

Dai musikana uyu aiziva nhamo yaive namai Nyevero aisambotaura zveku Chivhu.
Vaiwanepi mari ye comb? Kufambira line ivo vasina ye school fees yevana.

Nhamo neman'a zvakazombosiya here na mai Nyevero zvaive tsika nditsikewo


chaiyo.
Murombo haafi akarova chine nguo, akarova chobvaruka kkkkkk . Mai Nyevero
vakamboda kuchema asi wekuchemera paive pasina.

Vakanga vachingoti tuzu zvino voshaya pekubata. Zvichibvawo nevana


vasingatereri dai Rue asina kuba mango dzevanhu dai pasina zvese izvi. Uku ziya
raive roti kusee kunhuwa semunhu aive asina kugeza nezuro wacho. Apa vaive
vangomuka nekutouya ku rank . Aivaona aiti pamwe vakudzidzira kumhanya bani.

Ivo vakatoona kuti hapana zvekuita vaingoita sevasingazvione.

Uya wekutora foni ya mai Nyevero achisiya yake pakaita on foni makabva
mapinda ecocash message ,semunhu aive we business akatarisa kwaive kwabva
mari akaona zita rasingazive . Akatarisa balance wanike $20.61 , akarohwa nehana
nekuti mu foni make maive ne $3000.
Akamhanyira kuma contacts.

Uhmmmmm this is not my fon. Asi foni yangu yasara?

"Mutyairi ndasiyawo foni yangu shaa, ndokumbirawo mundisiye zvenyu or


ungodzokera ndinotora foni yangu sha yakakosha.
Ndokupa hangu $5 if possible".

Mutyairi achinzwa zve 5 mari akatokonesa comb chop chop, yaive ichiri padhuze
zvayo yanga yapaMukondimi turn off paya.

Pasina nguva vanga vadonha pa rank zvekare. Uya akadzaka akamhanyira pa


ecocash paya. Akawana mai Nyevero vachangobva vakutofamba havo kudzokera
kuchipatara.

"Hadzvadzi mandipa foni isiri yangu iyi".

"Aah madzoka amai vandapa foni yenyu vatobva pano izvozvi regai
ndivamhanyire".

Musikana uya akamhanyira mai Nyevero vanga vatoo chinhambwe. Akazotanga


kudeedzera atona kuti haavabati akaita zvekutamba.

"Mhama imi! Mhamha imi!"


Ahh ungati mhamha imi mu rank chokwadi?

Pote mai Nyevero vanga votodzikisira nekwa Nice time vachienda kana
chavakanzwa zvavo, vaitowedzera speed .

Akatozoita kumhanya kuti avabate.


"Amai imi mira ".
Pakacheuka mai Nyevero vakavhunduka kuona musikana uya vakati asi ndaba? Ko
anditeererei? Vaizvibvunza mumoyo vakashaya mhinduro .

"Amai fon yenyu iyi yadzoka ne munhu uya".

Vakazadzwa nemufaro mai Nyevero vakasekerera. Vakazodzoka vese ku ecocash


kuya vachida kuzotarisa mari kuti yakaiswa here.

Vari munzira vakatarisa ma message vakaona zvedi Rambwai akaisa mari


vakapembera vakatenda mwari mumoyo mavo.

Vachisvika pa ecocash vachiti baa uya ainzi mukomana aenda ne foni she get the
shock of her life .

"Joseph! You ?? Ukuitei panopaa?"

"Tambudzai! Urisei ko chii chiri kuitika why are you in this condition?"

Asiyo vasikana ka vanhu vamunoti vakomana vanenge vakaita sei chaizvo?

Munhu ainzi mukomana uyu aive akadzidza grade 1 to 7 pamwe na mai Nyevero
pa Muramhunda B primary school. Vakazoparadzana Joseph akuenda ku boarding
form 1 .

Vaviri ava vakafara kuonana asi papasisina nguva yekukurukura sezvo uyo aive
akamirirwa ne comb . Akaburitsa $50 akapa mai Nyevero .

"Buy a drink Tambudzai it was nice to meet you".

Kana number havana kupanana akabva amhanya kwa kuenda comb yaive
yongopipidza bhero.
Mai Nyevero vakati mwari kudzwai . Vakazoita cash out pakarepo. Musikana uya
kuzombovabvubza 50c yekuchagisa foni ,vakamutenda vakatenda zvavo.

Vakatonanga kunotenga ma uniform evana vavo nekutengawo grocery ravo


nekanyama nematemba zvekunosukurudzawo mukanwa nevana.

Semunhu anga apiwa imwe $50 vakazosara ne 30$ ndokuzotenga sadza rekunodya
naRue.

Vakatakuta zvinhu zvavo vachifara kwazvo, vairumbidza mwari nzira yose


kusvika kuchipatara.

Pakazokwana 1 o'clock vakanoona Rue sezvo aive anzi ndopaachabuda . Vakapiwa


mapiritsi aizomwa mwana akaburitswa.
Akanga achakazvimba hake asi zvazvanani kana iye aiti hachanyanyi kurwadziwa.

Vakatanga vadya zvavo sadza ravo, kwakuzoirova nzira nepakati paMarovanyati


paya.
Vaidzizeya zvavo nyaya mai nemwana sikana wavo kuti nzira iite pfupi.

Ndakazono pfigira mombe kusati kwavira, sezvo ndaitya kuzopedza kubika


kwasviba. Ndaiti tozokasira kurara ndakaoneka mbuya ndikarova pasi nemwana
wamai vangu kumusana .

Ko ndaizivei kuti ..........

End of part 9
Aizivei kutiii Nyevero?
Mai Nyeve vachanonzii na sabhuku zvavadzoka?

Stay tuned for chapter 10 on Wednesday @1800

To be ad

Nyevero

Chapter 10

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

Ko ndaizivei kuti amai vadzoka?

Takandundurudzana zvedu takananga kumba kwamai vedu. Ko handiti baba


vakapanduka saka kwakamai cheteka.

Pandakanga ndoyambuka karukova kaive panzira patadairika napo, ndiye


mahwekwe na sabhuku nemuzukuru wavo. Ndisati ndambovati maswera sei vanga
vakutogwauta kunge imbwa yatorerwa vana vayo.

"Heyaa wakaregaka kuudza mai vako zvandakasiya ndataura? Woda kutamba


nepfungwa dzangu haikona?"
"Amai havasa. .....!"
Handina kuupedza muromo iwowo ndatodimburwa.

"Nyarara zvako ndakanzwa mbiri yako yekunyepa iwee. Manje ini handitambwi
neni mangwana ndikuuya kumba kwenyu ikoko".

Nxa baba ava handina kuzombo wesita energy yangu kupindura munhu akadai.
Ndakatonhonga step yekusvotwa ndakarova pasi.

Takakwidza mukwidza ndopandakaona tumoto kuti n'ai n'ai mumba yekubikira,


ndakaziva kuti amai vadzoka. Nekuti hapana aimbotishanyira zvekuti ndaiti
pamwe muyenzi.
Ndakaita kakunyevenuka mumoyo mangu. Atleast mai vapo hapachina kutya. Asi
ndakasuwa mushure mekufunga kuti amai ndovaudza sei nyaya yekwa sabhuku
iyi?

Vachati kudini? Ko pandichavaudza kuti chibage chedu chakadyiwa ne dhongi?


Ko ivo sabhuku pavachauya kuseni voona mai varipo vachatii? Vachati
ndaivanyepera? Ndakapishana nepfungwa ndakazvibvunza mibvunzo isina
akapindura. Nekuti ndaingonzi ndinonyepa.

Ndakatozovhunduka sisi vaive kumusana pavakati,


"Nyeveyo iwe wakusiya pamba?"

Aaah pfungwa zvadzoita, ko dai kuri kuwira mumugodhi?


Apa hapana chaunombowedzera kana kutapudza nekufunga kungozvinetsa.
Takasvika amai vatori mubishi kukanga usavi, ndikati nhasi tombosukurudza
mukanwa tatanzwa nebora iyyy. Sisi Rue vaive vakarara haangambotadzi hapasi
pano kubva kwaMurambinda kusvika kwedu.

"Maswera sei amai? Akunzwa sei Rue?".

"Ndaswera mhandara dzangu, maswera sei imi?"

"Tiyi bhoo". Vakapindura sisi vekungwarisa.

"Rue ave nani uyu hanzi aive aminyuka chete. Ko imi makasara zvakanaka here
vasikana vangu? Maisatya here? Vaisanetsa here tete Nama?".
Nama aive nezita ra tete saka vaimuti tete.

"Takasara zvakanaka amai, taitya kurara tega asi baba vakarara kuno".

"Huh!! Baba vako chaivo? Kutorarawo panopa? Hoo inga mashura chaiwo, asi
ndosaka vakazondiisira mari pa ecocash?"

"Eh amai vaida kuona Rue".

"Aah zvakanakai vanangu chiendai munogeza, mvura iyo ndatodziisa".

Sisi Nama vanga vatoti kwaba pamakumbo amhamha vakaramba kunogeza.

Ndingazvigona zvekuyemerwa here? Ndakanotora zvangu bucket nechiwesi


chataigezesa, chaive chakasviba sei ko chaichena nei? Taigeza tisina sipo.

Ndakawana mu bucket mune geisha ,sandi kufara kwandakaita ikoko. Kugeza


nesipo yatatisisazive? Taitoionera kwambuya ichidyiwa nehuku panze.
Ndakanogeza ndine mufaro chaivo, dzakati dzadzoka pfungwa dziya. Uchaudza sei
mai vako nyaya iya? Ndakaita rinenge hour ndichigeza ndakatozobuda mai
vadedzera,

"Nhai Nyeve ukugeza bus here?


Ndapedza kubika ndatomirira iwe kuti ndipakure,ukunyanyogezei nhaiwe?"

Ndakanyahwaira ndichibuda muchi bathroom cheuswa muya ndonanga kumba


yekubikira.

Aiwa musi uyu ndainzwa kuti ndageza, kana mhepo yaipinda kuratidza kuti tsvina
yabva kkkkkk.

Uku ndandakutya kuti ivo sisi Nama dai vakasatura zvavasina kubvunzwa, nekuti
aive bvotomu chaiye.

Takapakurirwa zvedu ,zvainhuhwirirawo kani. Kubika vaibika zvavo mai vangu


aah kana baba vanga vakarasikirwa kusiya
mukadzi anobika so.

Takamutsa Rue amai vakaisa munamato tisati tadya.


"Baba vedu vari kumusoro kudenga,ndinokutendai maswera makatichengeta
mandisanganisa nevana vangu nyama nemweya zviri pamwe chete. Mazvita henyu
nepamandipa muzuva ra nhasi, chiropafadzai kudya kwataisa pamberi pedu
zvitigutse. Amen".

Takatanga zvedu kuriona sadza musi uyu dai raitaura haaaa hameno. Ndakapotsa
ndadzipwa nemusuva wesadza. Nama kaive kakudedzera zvako,
"Mama, mama tasangana na shabhuku waya waya hanzi. .....".

"Hoo eh hanzi kune musangano wemajapata kwaNyanzira ne Monday".

Ndakakasira kuvhara ma one aive oda kuitwa na sisi ava. Zvemusangano ndaive
ndangozvinzwawo kumombe kwatakaswera.

Ndakakasira kufunga zvebag rekwamai Noku.

"Amai ndine surprise yandoda kukuratidzai kana tapedza kudya".

"Okey vanangu handiti moziva handifariri vanhu vanodya vachitaura".

Uyo waive mutemo wataive tapiwa kuti munhu hataure achitsenga. Kkkkkk
ndopaunozona munhu akutsenga kunge dhongi ririkudya mashamba.

Atleast sisi vakabva vanyarara, takapedza kudya ndikarongedza rongedza nekupa


boki sadza. Yekushayawo hadzvadzi iyi unongoita yese yese. Rue aive atovaka
paleave ye basa. Aiva akuvharazve.

Ndakanotora bag riya ne grocery racho, amai vaive vasina kumbozviona nekuti
ndaive ndazvifukidza nejira kuti chero mukapinda munhu asatibire.

"Surprise surprise!!!"

Ndakapinda ndikatambidza amai zvinhu zviya. Ndakati better kutanga ne good


news ndozopedzisira ne bad news .

"Amai takapiwa zvinhu izvi namai Nokutenda, uye vakati mari iya shandisai
zvenyu".

"Helelele ulululu". Vakapururudza nemufaro amai.


"Inga vaikaita havo chokwadi. Mwari ngavawedzere pavakatapudza".

Takazovhura bag riya imi!. Maive nezvipfeko zvakanaka kani netushangu


twakasimba. Asi dzakawanda dzaikwana hadzo Rue.

"Iyyy inga vaita zvavo ndichatopfura neko Monday kuseni ndakuenda kumhiri
kwavaMutema uko".

"Zvakanakai amai asi sabhuku vati mugosvika kumba kwavo mangwana".

"Kwakanaka? Ko vanodeizve?"

"Aah -aah - uhmm mombe yakadya mumu. ...".

Handina kupedza kutaura mai vavato bvunza.

"Dzakadya mumunda mani?


Nhai mwari wangu!".

Kkkkkk aah amai wo futi vakanga vanzwa nani kuti ndaida kuti mumunda?

Ndakarovera moyo padombo kuti nditaure.

"Dzakadya kwasabhuku amai. Musi uya wakakuvara Rue ,pamakabva pano


ndakanotarisa mombe ndakawana pasina".

Ndakavatsanangurira nemo nemo nezvekudyiwa kwechibage chedu ne dhongi.


Ndakaona mai vachishushikana asi chekuchaita papasisina. Yaive yadeuka mvura
haidyorerwi. Kungoti munhu mukuru hazoburitsi misodzi zvake asi pain
unotoinzwa.

Takazoenda kumba yekurara, amai vakazotitsanangurira zvaive zvaitika kumba


kwevabereki vavo. Ndakakashamadzwa nazvo. Asi ndakati,

"Amai mwari vanechinangwa nezvese zvinoitika musazvidya moyo amai".


Takanamata tikarara zvedu, ndakarota futi ndiri mumadhaka ndichitadza kubuda.
Kakechipiri kurota hope idzi, ndakashushikana kuti zvairevei izvi?

Jongwe rekuseni rakarira tikamuka takaita munamato wedu. Takaita mabasa


epamba nekugadzirira kuenda ku church sezvo yaive yave svondo . Svondo yega
yega taienda ku church anenge ane duty ozonovhura mombe tadzoka. Ko kuRoma
kubuda ka na9am . Apa raive dzoro ra Rue asi ndakatoziva kuti ndini ndikuenda
kumombe.

Takati takuda kutobuda sabhuku ndiye vhuu paruvanze. Aaaah baba ava ne Sunday
wo here veduwe?

"Wainyepa ka iwe?".

Aah chokwadi munhu ungangosvika pamba pevanhu nekuwawata usati


wambotiwo mamuka sei? Kana ihwo hukuru hwacho?

"Mamuka seiko sabhuku?"


Amai vakadaro .

"Ndamuka ndakamira".

Kkkkkk ayaya ndakada kuseka zvangu nhamo serugare. Aaaah munhu wasabhuku
anoita hunhu hwakadai?

"Vana venyu havana kukuudzai zvandakasiya ndataura here? Makatorega henyu


kuuyaka imi? Moda kuzouya chirimo?"

Iyyy iyyy baba ava zuva rimwe irori? Aya zvakaoma.

"Ndakatosvika pano nezuro manheru sabhuku. Nyevero akatondiudza manheru.


Ndandichiti ndichauya ndoona pakadyiwa pacho ndabva ku church".
"Hooo nhai! Manje ndatouya. Munotoripa zvenyu nekuti mombe yenyu
yakatondikohwera magwere angu. Saka mouya kudare mangwana kuseni seni
muchiona pakadyiwa".

"Zvakanakai ndouya usiku utema chahwo mangwana" .

Vakabva vaenda kana kuoneka havana. Kana ku church takazomboenda?


Ndakasvotwa ndaida kunovhaira nehembe itsva ka.

Zvinorwadza, munhu unobviswa pana mwari nemumwe munhu. Sabhuku vaive


vatibvisa chido chekuenda kuchechi. Ndakanyatsoona mai kuti varwadziwa.

Takazo ................

End of chapter 10

To be added mu WhatsApp grup inbox number above

Stay tuned for part 11 on Friday @1800

Like our fb page https://m.facebook.com/Aka-Heather-stories-

Nyevero

Chapter 11

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Takazobisa hembe dziya kwakutogara zvedu, taive tichaenda nekupiko kuchurch
kwacho? Naiwo mashura ataive taitirwa aya.

Joseph wekupa $50 mai Nyeve aiva akambovapfimba iri holiday adzoka ku
boarding kwaaidzidza. Asi vairamba semunhu aidanana naRambwai .
Akaatora mwedzi 6 achipfimba ainyora tsamba ari kuchikoro kwake asi
zvakaramba zvachose.

Ko makare gore raigona kupera munhu asati adiwa zvasiyana nemakore ano ekuti
kana mukombi makwira mese munogona kudzika mese matodanana, kana
kutoonana parank motopfimbana wotobvuma nekutoenda kusleep over. Ndo
chirungu chacho here nhai askana woyee?

Kombi yakati yarohwa akabva afunga kuti dai atora foni number dza Tambu. Anga
asingazive kuti Tambu akaroorwa. Joseph akanga amboroora akaramba mukadzi
aita gumbo mumba gumbo panze.
Asi apa akafara kusangana nemunhu waaida, akarwadziwa kuti ko Tambu
condition yaanga ari chii chaizvo chikuitika?

Akagaya akati ndichamubvunza hangu. But how ? Number anga asina kupiwaka
uyu, and it was too late kombi yanga yatoenda asi mumoyo aingoti ndodziwana sei
number dzacho?

Zano rakazouya atodzika kombi akati avaona vachitora mari muecocash saka
akabva agaya kuzoenda kuecocash iya opiwa number, sezvo aigara achiuya
maMurambinda ne business rake.

Aingonamata kuti dai musikana wemu Ecocash akadaro anyora muchi book chake
muya.
Joseph aive business man uye aive nemari pachokwadi. Aigara kuMandara , apa
aive auya neka Honda stream pese paaiuyira kumusha aiuya nemota yemhanga
mhanga kurasisa zvake vavengi.

Pakada kuti aimutse yakabva yangonyarara semunhu aida kumhanyira kunobata


meeting na1600 ku Harare akaona zviri nani kuenda ne comb . Asati akwira
muchovha akaona kafoni kaaishandisa ma transaction emari kakadzima
ndopaakanokaisa pa Ecocash kuti kaite tumoto ozokwira hake comb oenda.

Pamwe zvaingodawo kuti azosangana na Tambu ? Hameno regai tione.

Nguva dzekunovhurira mombe yakakwana, ndakatora mbuva yangu yekuzodya


kumakura ndiye tande nayo nzira ndakananga kwambuya. Apa ndaienda ndiri
ndega kumombe musi uyu, ko sisi Nama kana amai varipo chiname chaicho.

Ndichisvika kwambuya ndakawana ngoma ndiyo ndiyo,kusukiswa ma plates aive


adyirwa manheru neemakuseni. Washen papasina musi uyu saka ndakakasira
kupedza. Marwei na baba yaingova mwini mwini kukamuri kwavairara, vanenge
vaive vogadzirira kudzokera .

Pasina nguva ndakaona hevo vabuda vakadungamidzana haikona, uku vaine


masisaga airatidza kuti akazara hameno vaive varongedzerwei. Sezvo Monday
baba vaishanda ndosaka vaidzokera Sunday kudai.

Ndakagourovera moyo padombo ndikati chauya chauya ,


"Nhai baba ko mari yeschool fees iya yamakati muchatipa musati maenda?"

Ndakatukirirwa mongonzwa imi , ndakaudzwa humbwa nehupfambi na marwei


baba vari ziii kunge vasipo.
Kuitwa fuza chairo newavaiti amukadzi wavo uyu . Ndakangoti neniwo
nechandandichabvunzira? Dai ndazvinyararira zvangu .

"Let's go dady we are late".


Ndimarwei avo ndakangoti imboitai ndomukana wamunawo mhayiyo.

Ndakazopedza zvangu basa randaive ndapiwa, ndakaenda zvangu kunovhura


mombe.

Ndakashamisika kuona mudanga musina mombe muine dhongi chete, ko mombe


yaendepizve? Ndakamhanya kumba kunobvunza ambuya ,

"Nhai ambuya asi mukoma Sean vaenda na manzuma?"


Vakaramba zvavo vari zii sevasina chavanzwa, ndakutotendeuka kudzokera
ndopavakati, "Manzuma tarisa irimo mu hozi umooo!!"

Vakapindura kunge vaisada. Ndakashamisika ini. Muhozi? Mombe kukwana


muhozi? Ko ndaizivei ndakati gandivhure ndione.

Eeh yakatokwana muhozi manzuma. Ndakanoti mberengende musiwo wehozi iya I


get the shock of my life.

Ndakamboti pamwe ndikurota? Ndakazvitsunya tsunya wanike handisi kurota.


Manzuma yaivemo muhozi asi iri nyama. Hoo saka masaga anga aine vaviri vaya
ndeenyama nhai?
Chokwadi baba vane sure kuuraya mombe inototibatsirawo pamusha?

Ndakashaya kana simba ndakangokwanisa kugara pamusio paya ndakatarisa


nyama yamanzuma misodzi iri mokoto mokoto kuerera.
Ko mai vangu vachanzwa sei pandichavaudza mashura aya? Ndiri
mukushushikana kudaro vakati vatanga ambuya kugwauta.

"Iweee! Kasira kuvhara hozi yangu ubve ipapo unochemera kusango uko".

Mai vaive nemoyo wesimbi ivava. Chavaitivengerawo nesu vana chii? Tisu
takavatadzira here isu?

Ngationei kuti chii chaizvo chakaita kuti mombe isvike pakuuraiwa na Rambwai ?

Baba Nyevero zvavakanorara kwa mai Nyeve musi uya, pavakadzoka yakaita
hondo world war 5 chaiyo. Sisi dhori vaive vakatsama haikona kutaura kuita datya
chairo . Baba Nyeve vakatukwa vakanzi wotondiripa kana uchida ndizvare mwana
mukomana ari mudumbu umu ari mupenyu .

Rambwai akambozama kunyengerera chipondamoyo chake asi zvakashaya basa,


yaive yatengwa nevemundege mai vacho. Akazosvika pakubvuma kuripa ne
mombe . Marwei akati ngaitofa mombe yacho nekuti inozoshandiswa na mai
Nyevero.

Vakabvumirana vakauraya mombe vakatakura nyama imwe vakasiira mai vairuta


kunge mukanwa makafira shumba.

Ndakarwadziwa kusvika panyama nhete chaipo, asi chekuchaita panga pasisina.


Dai taivewo nehadzvadzi handiti dai taivewo ne danga pamba pedu?

Mombe iyi baba vanga vakaitenga vachiri kuwirirana na amai , ikabereka vakatora
mwana wacho vakatengesa apa vouraya futi mai vacho zvakaoma. Apa ko
kutipawo nyama yacho sezvo tirisu hedu taifudza? Mwari ndovanoziva havo
vanenge vachiona vari kudenga uko.

Ndakashaya kana zano ini, ndakakwanyanuka pa hozi paya ndikavhara zvangu


musio. Ndakanotora bhongoro yangu ndakati handichamboenda kunofudzira
kumakura. Ndisekwe zvangu kunzi wauya kunofudzira dhongi chete kumakura?
Aah at least zvaiva nechiremerera pazvaive 2 ne mombe.

Ndakarova nzira haikona ndaita kurimhanyisa dhongi , ndaida kunooudza amai


nyaya yemombe iyi . Kana tumbuva tuya ndakatukanganwa kwambuya hameno
vanopawo huku .

Ndichisvika pamba ndakawana paina Nama na Rue chete. "Ko mombe iripi nhai
Nyeve?"
Ndi Rue akandibvunza.

Ndakati ganditonyepa pano ndozotaura ndaona amai.

"Yaenda na mukoma Sean kumakura uko saka ndatozouya zvangu ne dhongi kuno.
Ko amai varipiko?"

Ndakazonzi amai vaive vaenda kwa mai Nokutenda. Ndofunga vanga vanotenda
zvavaive vatitira. Ndakaisa dhongi pataiona ndikadzoka ndikagara zvangu
pamumvuri asi mufaro chaiwo ndakanga ndisina zvachose. Nama aida kutamba
neni asi akatoona kuti chakachaya sisi havasi mumood yacho .

Mai Nyevero zvavakasvika kwamai Nokutenda vakawana yave nzvimbo yetsuro,


mai Nokutenda vaive vadzokera Harare kwavo. Vakazokumbira havo number yavo
yefoni kuna Showman vakapiwa.
Vakavafonera vachitenda nezvavaive vaitirwa. Vakadzokera havo kumba kwavo
vachinonga madzotso ekubikisa nendove yekudzura mumba mavo.

Hana yavo yairova zvekuti asi vakashaya kuziva kuti chingava chii? Vakazongoti
pamwe kungorovawo hako kwehana vakazvibisa mupfungwa dzavo.

Vakashamisika pavakasvika pamba pavo vachiona dhongi chete richifura uku


Nyevero akatogara hake pamumvuri.

Vakagobitirirwa ne hasha kuti chokwadi mwana uyu akatogara? Ko kana mombe


yaenda kuminda yevanhu zvekare? Vakagoigwanhura shamhu yemu jekenje
haikona .

"Nhaiwe Nyevero ko wakagara zvako mombe pasina? Ko ikanodya minda


yevanhu nhaiwe?

Ndakanyatsoona kuti amai vatsamwa pa vanga voda kundichutika nezishamhu riya


ndakati kana handingarohweri zvandisina kuita, "Mombe haipo amai".

"Unorevei kana uchiti mombe haipo?"

"Mo -mo- mombe yauraiwa na baba vakatakura nyama imwe vasiira ambuya".

Ndichipedza kutaura amai ndiye bhii kudonha ndiye zii vakadaro.

Amai!! Amai !!

Ndakamhanya paive pana amai vangu , ndakavazunza zunza aah kana kana
kutaura. Kuti ndivasimudze ndakatadza ndakapererwa ndikati amai vangu asi
vafa?
Nama naRue vakauyawo tikaunganira amai vedu misodzi yongoerera.

Ndaka........

End of chapter 11
To be added in WhatsApp grup inbox number above

Stay tuned for the next chapter on Monday @1800

Like our fb pagehttps://m.facebook.com/Aka-Heather-stories-1748141092139907/

Nyevero

Chapter 12

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

Ndakavhura speed yembwa nhatu chaiyo ndakananga kwana Sharon sahwira


wangu, atleast mai vake vaigona kunzwawo tsitsi vakauya kuona zvaive zvatika.
Kuti ndiende
kwambuya ndakaona kuti kutotambisa nguva. Kwa mai Noku vanga vasisiko, kwa
sabhuku worse.

Ndakamhanya kunge ndichadambuka makumbo, ndakasvika ndiri chahwiriri


chaicho.

"Mhamha mai Sharo mhanyai mhanyai handei moona zvaita amai kumba uko".

Handina kana nekuvamhoresa, kana asahwira vangu handina kana kutaura navo.
Avawo mhamha mai Sharon havana kuzomboda kubvunza zvakawanda,
vakangotiwo tsoka ndibereke vakananga kumba kwedu.

Takawana amai vakangorara pasina chachinja , amai Sharo vakateerera pachipfuva


pa amai vakanzwa vachiri kufema. Vakaita chimbi chimbi kufonera munhu aive
nemota kuti amhanye kumba kwedu nemota kwaita emergency.

"Nyevero amai vako vanga vaine mari here mumba?"

"Regai ndimhanye ndotarisa pavanosiisa".

Ndakamhanya zvangu mumba kunotarisa paisivigwa mari na amai ,asi


kwaingovewo kuzadzisa chirevo ndandisina tarisiro yekuwana kana bond nekuti
amai vanga vasina kumbotaura kuti vane mari.

To my surprise ndakawana panzvimbo paine $30,,ndakaita kutomuka nemufaro


,"atleast amai vachanorapwa kana pane mari". Ndakataura ndega ndichimhanya
panze kunotambidza mai va sahwira wangu mari iya.

Pasina nguva wemota anga asvika.

"Saka moita marii nhai mukwasha kutisvitsawo paMurambinda hospital?".

Vakabvunza amai Sharo incase yaizotaurwa yakawanda vavamberi ipo paive ne


$30 ndoyaida kurapisa futi murwere.

"Mondipa $10 ambuya, ndatonyara hangu nekuti mukadzi wasahwira wangu


Rambwai."

Vakabvumirana 10 iya vakabatsirana kutakura amai ndokuvaradzika kumashure


sezvo yaive pick up .

Ndakamhanya kukwirawo mu pick up muya ndikati ndotoendawo naamai vangu,


kana kumbofunga vana vamai vangu kuti vanosara nani saka?
"Aiwa Aiwa ! Nyevero iwe chisara ne vana ini ndoenda handiti? Ndozoenda newe
mangwana kuvisiting yemasikati mwanangu. Musachema handiti ka? Amai venyu
vanopora rambai muchivanamatira chete".

Vakakwira mumota ndiye hutu takachema tikaita mariro chaiwo nevanin'ina


vangu.

Chokwadi kunzi sara nevana munhu anewo 12 years? Handiti ndaitovewo mwana
nhai? Zvichikonzerwa naivo baba nekushaya musoro kwavo.

Vana baba kunze uko musarwadzisa mhuri dzenyu kusvika pakadai veduwee, vana
vanokura vaine ruvengo nemi uye ivo vano affectika life yavo.

Mwana mwana unogona kuchemera vakomana vagokushaisa rugare. Tendai mwari


nepanenge akupai nekuti anenge achiziva reason yaazviitira.

Ndakatanga kugaya manje,


"Ko amai kana kutori kufa kwavaita? Ndinoita sei nevana ava nhai mwari?"
Ndakanzwa misodzi yangu yava nyakata nyakata, asi ndakanzwa voice raiti,

"It's not time to cry my child pray, pray for your mothers well being ".

Ndakambovhunduka kuti ko cha chiizve? Ndiani akutaura neni? Ko aziva sei kuti
mai varikurwara? Aaaah!
Pakarepo ndakati Rue na Nama huyai tibatane maoko tinamatire amai.

Ndakanamata voice rangu riripamusoro soro kunge munhu akudeedzera ngoto,

"Mwari baba vari kumusoro soro kudenga, zita renyu ngarivongwe baba.
Ndauyawo mwari pamberi penyu mwari inzwai kuchema kwedu, mwaro
poresaiwo amai vedu mwari. Takumbira nekutenda kuti zvatakumbira zvaitika.
Amen ".

Zuva rakazosara rovira ndaingoti ngakuvire tirare nditeere amai mangwana, apa
taita kusiririsa kunge tunherera. Ndakati Rue aende ne dhongi kwambuya sezvo
anga akunzwa zviri nani plus dhongi raisanetsa kutinha. Ndakamukomekedza kuti
asatomboti bufu kuna mbuya pane zvaive zvaitika.

Nama akachemerawo kuenda kwa mbuya kuya, ndakati chiendai asi mukasire
kudzoka mowana ndabika. Ndaingodaro zvangu asi Rue nemusikanzwa wake
aitodzoka kwasviba,apa achitoziva hake kuti amai havako.

Pasina chinguva vana Rue vaenda ndakanzwa,


"Gogogoi panooo! Pane vanhu here pano? Ndakabva ndaziva inzwi ra mai Sharo ,
ndakabuda ndichimhanya mumba yekubikira mandaive ndaitoti pamwe vadzoka na
amai.

"Svikai mhamha, maswera sei? Ko amai varipi?"

"Ndaswera zvangu mwanangu masara zvakanaka? Ko vasikana vamwe vaindepiko


zvaunenge uri wega?"

Ko vakundibvubza zvandavabvunza havana kupindura. Asi amai vashaika?


Ndakatanga kuzvitongesa ndakatozopindura papaya,

"Vana Rue vaenda kunopfigira dhongi kwa mbuya. Ko amai varipiko?"

"Relax mwanangu, your mother she is absolutely fine okey. Hanzi vangoita panic
attack saka BP yabva yakwira, vapiwa bed kuchipatara."
Mai Sharon havana kudakutaura zvakawanda.

"Saka vanodzoka rini? Saka masiya vakutaura here?"

Ndaibvunza ndaida kunyatsoziva kuti mai vangu vapenyu here zvechokwadi.

"Hanzi pamwe vanoita 2days votobuda zvavo. Eh ndasiya vakutaura vatoti


mangwana ndiuye newe kuchipatara."
Mai Sharo vakadaro.

"Saka iwe womuka kuseni seni uchigadzirira, toda kuzonobata visit ya 1 masikati
handiti?".

Moyo wangu wakanyevenuka ndaizonoona mai vangu.

"Okey mhamha maita basa ndomuka usiku hutema chaihwo. May God bless you".

Vakaoneka zvavo vakaenda kumba kwavo vakati Sharon aizouya orara nesu
kuitira agozosara achitamba nana Rue isu takuenda kwaMurambinda.

Ndakafara kunzwa kuti shamwari yangu yaizouya kurara nesu. Ndakatanga zvangu
kubika ndichiimbirira ndakamirira vasahwira nana Rue kuti vauye.

Rue zvakasvika kwa mbuya vake akapfigira dhongi akuda kutodzokera akaona
imbwa dzakamira pa hozi , akatanga adeedza ambuya vake kuti anzwe kana
vaivepo? Hapana akadaira akaziva kuti havapo.

Ndiye nyahwa nyahwa akananga pa hozi paya, vhurei mukova wanike haikoma
mune nyama.
"Hoo ndomune nyama yamanzuma nhai? Manje vakaura ambuya , shasha yaitaura
yega."
Akatora ka demo kaivemo akatema tema nyama akazadza musaga akasiya
yakasara yese akapa imbwa akasiya musio we hozi wakavhurika.

Kedu Nama kaiona hako kakagara, sisi Rue nhamo yakauya pakusenga saga ruoko
ruye rwekuminyuka rukati unonyepa iwe rwakatanga kubanda haikoma. Shasha
ikati handipererwi akamhanya akanotora dhongi mudanga maanga ariisa, kuti
aturike nyama akatadza kutakura zvekare. Shasha yakaridza tsamwa yapererwa
zvino.

Sezvineiwo pakabva padarika vamwe vakadzi vaitobvawo kumasowe.


Akavakumbira kutakudzirwa saga, akabva arova pasi.

Shamwari yangu akazosvika ndatopedza kubika muriwo. Takabatsirana kubika


sadza tichitaura hedu nyaya,
ndichipedza kubika ndakanzwa vanhu kutaura , ndakaziva kuti team yadzoka.

Ndakanzwa dhi-dhidhi-dhi- dhi paruvanze chaipo, ndakabuda kuti ndione chaita


mutsindo kudaro. Wanike I dhongi.

"Ko nhai Rue madzokerei ne dhongi? Ko chiiko chiri musaga umu?

"Inyamaa".
Akanga atopedza zvake mwana wachihera.

"Inyama? Maiwanepi? Mapuwa nani?"

"Kwambuya".
Kkkkk mwana uyu ayas ndakapererwa ndakatoziva kuti aba nyama iyoyi.

"Saka nhai Rue mbuya vakupai here nyama iyi kana kuti waba zvako???"
"Kubaaa? Mombe hanty ndeyedu here? Ivo ndovavatoba, saka ndatora plus hapana
anombovaudza kuti ndini handiti dhongi tadzoka naro? Tongoti hatina
kumbouyako nezuro vakazotibvunza."

Ndakagaya ndikaona kuti aitaura chokwadi Rue taifanira kuvapfidzisa ambuya.


Ndakazotora nyama iya tikagoita tare tare pamudariro imwe tikagogocha zvedu,
dhongi takarisungirira pamuti.

Musi uyu takazorara late takatandara zvedu uku tichidya nyama ye gochi gochi.
Pavari mbuya izvozvi hameno ibatai batai chaiyo.

Gogos yakanga yaenda kunotenha mavegi kugarden kuti inyatsoisa mumatumbu


ayo ayaive yabika. Yakadzoka kwatoti hunderere haina kuzombopinda muhozi
muya. Yakanorara zvayo chembiza ikati ndomukonanika nyama mangwana.

Avawo mukoma Joseph vaita kushaya hope vachigaya zvaivaive vaona Tambu ari,
nekuti vaiziva kumba kwana Tambu kusiri kwenhamo. Akanetseka kuti saka chii
chaizvo chainetsa? Semunhu akambopfimba Tambu uye anga asina mukadzi akati
ndichatonotsvaka number yaTambu nditaure naye.

Joseph akafonerwa na 3am achinzi amai vake vaive vadonha pama steps ekukwira
mudouble story house yavo, vakanzi vaendeswa kuchipatara kwaMurambinda.
Hana kuzomborara, akabva atoita chipatapata kurongedza hembe dzake kuti abude.
Akatotora Ford Ranger yake mu garage ndiye hutu akananga paMurambinda .

Chero zvedu taive tanonoka kurara ini hope dzakanonoka kuuya, ndichingogaya,
"Saka hope dziya ndomadhaka acho here aya? Ko amai zvavanga vachifanira
kuenda kwasabhuku mangwana, sabhuku vachatiii manje?
Ko isu kuchikoro hatichatoendi? Mari ichabvepi manje apa?

Ndakaita mibvunzo yakashaya anopindura. Hope dzakatozondibata kwotoyedza.

Zvekuti ndaka. .. .......

End of chapter 12

To be added in WhatsApp grup inbox number above .

Stay tuned for the next chapter soon

Nyevero

Chapter 13

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Ndakaita mibvunzo yakashaya akapindura, hope dzakatozondibata kwotoyedza.*

Zvekuti ndakatadza kumuka nenguva yandaive ndanzi ndimuke na mai Sharon .


Ndakatozomuka ndavhudhuka knock yaive kumusiwo, mai Sharon vaive vatouya
kuti tione kufamba kusati kwapisa. Apa ini ndakatorara zvangu. Ndakamuka
kwakuenda panze paya.

"Mamuka sei mhamha mai Sharon?"

"Ndamuka zvangu, ko kuzononoka kumuka? Ndakazviziva hangu kuti hamurari


masangana iwe na Sharon. Chiita ugeze geze hatidi kufamba tomhanya mwanangu.

"Zvakanakai amai".

Handina kana kuzombosuka ma plates, kana kutsvaira paruvanze ndakangoti sezvo


Sharon aripo anozoita. Ndakamhanya ndikawapura wapura makumbo.

Ndichipinda muchi chinji house ndakanzwa imbwa kuhon'era paseri pemuti


wataive tasungirira dhongi. Ndakageza ndikati ndozoenda ndichiona kuti panei
pari kuhon'era imbwa apa.

Ndakamhanya kunodongorera paya kuti panei? Ndakarohwa nehana kuona dhongi


risipo pamuti paya, ko radambura tambo rikaendepi? Ndakasebera padhuze kuti
ndione kuti imbwa dzaidyei?

I get the shock of my life , imbwa dzaikekedura mabhonzo aive nenyama


yairatidza kuti itori fresh . Ndakanetseka kuti nyama iyi yabvepi? Kuti idhongi
radyiwa ne mapere?

Ini ndakanga ndisina kumbozvifunga zvemapere airura mudunhu medu


pandakasungirira dhongi iri pamuti . Ndakashaya kana simba rekuchema ini,

"Why zvatimomotera sezva Judas kudai? Are we cursed nhai mwari?"

"Nhai Nyevero uchiri kugeza here mwanangu?" Vakadeedzera amai Sharon.

"Aiwa amai, ndandaenda hangu kusango uko kunozvibatsira ndakutouya zvangu".


Ndakanyepa handina kuda kuvaudza kuti dhongi takarisungirira pamuti haripo.
Aaaah vaizondibvunza zvakawanda, ndakamhanya mumba kwakunopfeka pfeka
chop chop.

Vana sisi vanga vamukawo vakuda kutanga kuita basa. Takutobuda ndakanzwa
bhruu bhruu kuseri kwe kitchen ndakamhanya kunotarisa, wanei dhongi ririko
rakatorara zvaro. Moyo wangu wakaita kunyevenuka, saka hameno imbwa idzi
dzaiwanepi nyama yadzauya kudyira pamba pedu.

Amai Nyevero zvavakadonha vakanzwa mweya wavo uchibuda mumuiri mavo,


vakaona rima vakaita sevaiswa mu dam and she was struggling to come out.
Pavakanga vakuda kunyura
mu dam muya pakasvika umwe murume anga akapfeka zve white akavabatsira
kubuda.

Vakatanga kufamba nekanzira kaive kadiki diki vasingaoni kwavaienda .


Vakazosvika paive nezigedhi zihombe hombe , paive pakazara vanhu vaive
vakapfeka zvichena vaipinda ne kubuda .

"Wellcome Wellcome Tambudzai". Vakadeedzera varume vaita basa rekuvhura


gedhi riya. Mai Nyevero vakanetseka kuti ko vanhu ava vaziva sei zita rangu? Ko
kuno ndekupi? Izvi vaizvifunga mumoyo mavo vachitopinda mukati sezvo vaive
vavhurirwa kuti vapinde.

Vati fambe fambe vakanzwa inzwi raivadeedza, "Tambudzai Tambudzai! !


Vakatarisa kwaibva inzwi iri kuti vaone aivadaidza uyu . Vakaona mumwe
mukadzi aimhanya achiuya kwavari, vakabva vamira mukadzi uya akasvika akapa
zimbama kuna mai Nyevero .

"Iwe Tambudzai wauya kuno kuzoitei? Tarisa pasi apo uone?


Amai Nyevero vakadongorera pavainzi tarisa uone paya. Vakaona vana vavo
vachchema vakaunganira body yavo.

Mukadzi uya akati, "wasiya vana vako avo woda vachengetwe nani?"

Amai Nyevero vakanzwa kurwadziwa vachiona vana vavo vachichema asi vaida
kuziva kuti mukadzi uyu ndiani?

"Saka imi ndimi ani? Mandiziva sei?"

"I'm your mother Tambudzai". Akapindura mukadzi uya achitsanangura.

"Ndakakusiya ndakakutsveta pa gedhi pevamwe vanhu vandaiziva vanowana, ini


ndaisakwanisa kukuchengeta panguva iyoyo. Baba vako vaive vakuraamba
uchirinhumbu.
Ndakazoroorwa ndikatotendeuka asi ndakakutsvaka ndikakushaya mwanangu.
Kwandanga ndazororwa uku ndakaita problem pakusununguka mwana wangu
wekutanga ikoko and I couldn't make it. Me and my angel uyo ari kutamba uko,
mukadzi uya akanongedzera kamwana kaive kakapfekawo zve white kaitamba
hako kakarara.

"Saka nhai amai where is my father? And where is your family? Ko iko kuno
ndekupi?"
Amai Nyevero vaida kunyatsonzwisisa.

"Tambudzai my daughter go back now before its too late okey? Just know that
your father is alive and you will meet him one day my child.
Go child goooo! !!

Pakarepo mukadzi uya akabva afuratira akudzokera. Amai Nyevero vakatanga


kumhanya vakananga ku zigedhi kuya. Vachisvika varume vaivepo vakati nguva
dzekuvhurira vanhu vaive mukati dzakwana.
Amai Nyevero vakatanga kuyeredza musodzi vachikumbira kubuda, asi varume
ava vakatanga kufamba vachibva pa gedhi apa. Pavakatendeuka kuti vadzokere
havo ndopavakona kuchiuya umwe murume achimhanya, akasvikovhura gedhi riya
vakabuda vachimhanya.

Pakarepo vakabva vasvinura, vakaona vakapfeka hembe dzemuchipatara. Sezvinei


doctor vakabva vapinda.

"Where am I? What is the time? Where are my kids?"


Vakabvunza mibvunzo hobho mai Nyevero.

"Relax my dear. Muri muchipatara Murambinda hospital makauyiwa nemi nezuro


maita panic attack.
Thank God you wake up , kubva pamakasiwa pano nezuro masikati you were on
concious. So how are you feeling now?"

"Ndiri kunzwa kurwadziwa doctor, did my kids come here?"

"Not yet my dear but soon, munhu akakunzai pano akati achadzoka nhasi nevana
venyu. So for now just rest okey?".

"Okey doctor, thank you".


Vakadzokera zvavo mukurara mai Nyevero. Doctor vakabudawo vakunoona
vamwe varwere.

Joseph akasvika paMurambinda hospital na 9am, akawana visiting yemskuseni


yatodarika hana kukwanisa kuona amai vake akanzi ozodzoka na 1.

Akabva afunga hake kumboenda kumba ozodzoka kuma 1 kwacho. Pfungwa iya
yekunotsvaka number ya Tambudzai yakauya, imwe ikati iwe imboita zvamai vari
kurwarwa. Asi handiti ndongopiwa number ndoenda hangu? Ndozofona umwe
musi? Shasha yaizvitongesa yega , akazorovera moyo padombo ndiye konese mota
akananga ku ecocash kuya.
"Hadzvadzi muri right here? Muchiri kundiziva?"
Akadaro Joze asvika pa ecocash paya. Sisi vaya vakambofunga, ndokuzoti pava
paya;

"Ya ndakuzivai ndimi vaya vandakambochinjanisa fon navo mazuva apera ayo
handiti?"

"Yaa! Ndini hangu ko ndandichikumbirawoka favour hadzvadzi?".

"Anything for you, mukuda kuchagisa futi foni here? Haa nhasi hamubhadhari
zvenyu".

"Aiwa hadzvadzi ndikudaoka number dzamai vaya vamakandichinjanisira foni


navo. Ndakaona vakaita cash out pano handiti? Handiti munonyora ma details
here? She was my childhood friend mufunge, saka paya ndaimhanya mhanya
ndakatadza kuti andipe number".

Sisi vaya vakadzungudza musoro.


"hadzvadzi isu hatikwanisi kupa umwe munhu ma details emunhu.
Nekuti munhu iyeye akazozviziva tosungiswa".

"Hadzvadzi ndokupa hangu. ........!"

Hana kuzopedza kutaura , mu ecocash muya makabva mapinda mumwe murume


airatidza kuti ndiye muridzi wacho.

Shasha yakanyara nyara ichidzokera kumota kwayo ndokurova pasi.


Nechemumoyo akati ndichadzoka zvangu.

Gogaz yakamuka ine mufaro haikona kutamba. Yakavesa vesa moto kuti inanike
usavi. Yakarohwa nehana payakavhura musio we hozi uyo waive wazovharwa
naSean paakabva kumombe , ichiona musina kana sign ye kuti maimbova
nenyama.

Chembere yakabhidhaira ichi.................!


End of chapter 13

To be added in WhatsApp grup inbox number above .

Stay tuned for the next chapter soon

Like our fb page Aka Heather stories

Nyevero

Story by Heather (H.M)


+263735042728

Chapter 14

Chembere yakakanyaira yakananga kuimba yairara Sean . Vakasvikoriti


bherengende gonhi vasina kana kagogodza,
"Sean kasira zvako kundiudza kuti ndiani akatora nyama yangu muhozi umo?.
"Nhasi unorisiya basa ukada kutamba neni ini Maduve ,handidi zvisina basa ini ,
kana uriwe zvako kasira kudzosa nyama yangu muhozi mawaitora,"

"IweSean !! "

"Kasira kumuka apa"

Chembere yakapupuma nehasha , nyama yaive yarova pasi nemusikana .

Sean akatovhunduka kubva kuhope kwaaive ," matiiko ambuya ?"

Iwe -iwe!! "Pwatiko pwatiko kudii kwacho?".

Vaitodaro vachifugura Sean machira , ko kuri kuwana munhu ari mushwi nhaimi?
Ndochembere dzozonyepa kuti ndarepiwa idzi,
zvazvaiwana ngwarati , nhaka hameno pakadyiwa rinopisa.
"Ambuya pahozi ndakawana pakashama nezuro ndichibva kumombe ". Imbwa
dzaivepo dzichitoratidza kuti dzabva kudya nyama.
Sean akazama kuonesa chembere iyi zvaaive aona .

"Ko vana Nyevero vakauya pano here nezuro?"


Chembere yakabvunza ichihuta nehasha.

"Uhmmmm handina kuona kana dhongi zvaro, havana kudzoka nezuro."

Gogas yakavira nehasha , yakagokwira ikadzika ikwakwira ikadzika nacho


chivanze . Yakadzokerazve ku hozi kuya ikagovhura ichiti pada nyama yadzoka
hameno.

Yakaona muhwezva waibva pahozi paya , yakagouteedza nemubani igoti nawo,


tande wakananga kwamai Nyevero . Pamukwidza ugokwira nawo , uku shasha
ichingopopota haikona kutamba.

Ukuwo kuChivhu kwaive nemariro chaiwo ,


mombe iya yakaramba kudyiwa zvekumhanya,
Rambwai na sisi dhori pavakakwira chi open truck chaienda Chivhu, kubva
paMarenga vakaisa masaga avo enyama kumashure . Pavakadzaka vakakanganwa
kuti vavakatakura masaga , vakatozozvifunga vakusvika ku location kwavaigara .

Apa open truck yaive yarova pasi kare ,chekuita panga pasisina.

Marwei akachema nyama kunge afirwa , akaita seachaenda ku labour nguva isati
yakwana .

Ndokuita kwamwari ikoko, his ways are not our ways and his thoughts are not our
thoughts . Regai bhaibheri rakati ," vengence is for the Lord ". Chokwadi mwari
vanokurwira kani ukavapa hako mukana.

Team rakanga rasara kwa maiNyevero rakanga riri pamushanha zvaro . Sharon
anga atorovha kuchikoro musi uyu . Sisi Rue ruoko rwaive rwusisarwadza zvarwo
,shasha yakatarisa nzira yaibva kwambuya yakaona haikona chembere ichikenhaira
yapamukwidza ichiuya kumba kwavo .

Rue akabva kuseri kwe bedroom kwavaishanhira mushana ari bara akananga ku
kitchen . Akasvika akaita chimbi chimbi kuturura nyama yese pamutariro , ndiye
pfonye pfonye musaga kwakunoisa pasi pemubhedha mu bedroom ma amai vake .

Akaisa mu bedroom nekuti aiziva mbuya vake havafi vakapindamo . Shasha


yakadzokera kumushana ikatsindidza Nama kuti asataure chinhu kuna mbuya .

"Nama usaudza mbuya chero chiii wanzwa ". Ukangotaura handikupi nyama nhasi
uye ndokusiya ndakuenda kuna mhamha.

Nama na Rue zvaiwirirana saka kakagutsirira musoro zvako .

Pasina nguva mbuya iya yanga yadonha pamba pamai Nyevero , yaingoteedza
muhwezva uya wenyama nawo nawo . Nawo ndiye dzitya wasvika pamuti paya
paive nembwa.

Vakawana imbwa dzavo dzakatorara zvadzo , matumbu akati tanana kuguta


mabhonzo hatichatauri. Shasha yakati tuzu zvino , yapererwa manje imbwa dzavo
ndodzakatakura nyama. Kugariswa mudishi chaiko ,asiwo dzine manyawi shuwa
imbwa idzi kutakurana nenyama yatenzi kuuya nayo pamba pevanhu , aah pamwe
dzaiteera imwe yaive musaga hameno.

Gogas yakanhonga zi step yakananga mu kitchen mamai Nyevero . Vakasvikoriti


bheu door kunge richadambuka , vakawana machira chete . Mu kitchen
maitonhuwa maheu aive adirwa muchoto na Rue paakatora nyama.

"Iwe mai Nyevero !! Kasira kubuda uuye pano , wakatumaka vana vako kutora
nyama yangu ? Manje nhasi unondiona . Vakagotukirira mai Nyevero hapana
chakasara . Chakasara apa chine mudzimu wachowo.

Rue akauya zvake akatosunga face haikona , " amai havapo ambuya mamatiko?"
Akagoti avadenha kuwedzera petrol pamoto chaiko. "Iwe zana repfambi iwe
watadza kutanga wandimhoresa?" .

Rue akaramba zvake ari zii kunge asipo , uku achigaya zvekuvaita .

"Varipiko mai venyu ?" Ndoda kuvagadzirisa umbavha hwavo ihoho , munhu wepi
asina tsika?.

Rue hana kuda kuvapindura zvake, akangofuratira akadzokera zvake kumushana


kwaive na Nama na Sharon . Chokwadi dai akavapindura mbuya ava ,
vainozvisungirira pamudomasi.

Nxaaaaaa!! Chembere yakaridza tsamwa , iya inoitwa na Ini Edo weku Nigeria iya
. Yakapesanisa makumbo yakananga kumana kwayo asi moyo wavo waiita
kubanda . Vachingoti pote Rue akagoti chikweee kwatsu kuti vanyotsosvotwa, na
Rue vaita mushe zvavo ko asiyanaka na Nyevero ari soft .

Takazosvika paMurambinda kuma past 12 , taifamba hedu pore pore sezvo taida
kuzobata hedu 1. Mhamha mai Sharon vakatenga sadza tikadya , vakatengawo ma
fruits ekuzonopa amai .

Takafamba toenda kuchipatara sezvo 1 yaive yava pedo kuchaya, taida kunogarira
padhuze.

Ukuwo kuchipatara sezvo mai Nyevero vavabva kuvashakabvu , vakabiswa mu


room mavaive vakaiswa mu ward maive na mai va Joseph .

Joseph 1 payaive yakuchaya akapinda mumota make kuti aende kuchipatara , baba
vake vaive vaenda kubasa saka aizosangana navo kuchipatara kwakare.

Ari munzira akafunga kuenda nepa ecocash paya , kuti apiwe number ya Tambu .

"Hadzvadzi mazotii ndadzoka?" Paya ndazobva ndaona anenge boss wenyu asvika
, akataura achinyara nyara Joze kunge jaya riri kupfimba musikana richirambwa.
"Asi imi mungada mai vaya netsvina dziya shuwa zvamuri izvi ?" Idai henyu ini ,
akadaro musikana uya .

Joze akamboita hasha nezvakataurwa izvi , asi akaona kuti akapusa hahwinhi.

"Aiwa hadzvadzi vaya ihama yemukadzi saka ndikuda kutonopa madam number "
.

Musikana uya akambofunga kwakuzoti papaya ," saka mati mondipa marii
ndikakupai number ?" .

"Now you are talking my sister ". Ko $50 irisei?

Musikana uya achinzwa kuti $50 akapembera , pay yake chaiyo yaivewo 60$ .
Hana kuzotambisa nguva , akamhanya kuvhura book rake pa date raaka saver mai
Nyevero . Hana kumboita nguva anga atowana number iya , akadedzerera Joze .
Iye Joze akaburitsawo $50 sekuwirirana kwavo akatambidza sisi vaya , akatenda
akapinda mumota make ndokuenda .

Akasvika pachipatara kwasara 10min kuti 1 ikwane , akagara hake pamabenji paya
paivewo nanamai Sharon . Achimirira baba vake kuti vagopinda , baba va Joseph
vaive headmaster paMurambinda high school .

Akabva afunga kumbofonera Tambudzai , yaingorira isina aidaira . Koyaigodairwa


naniko ? Iyo yaive mukabati kumba kwa maiNyevero . Pakadonha mai Nyevero
ndopavakasiya foni yakazonhongwa na Rue akaisa mukabati.

Joze akatozorega kufona pakasvika baba vake , vakakwazisana vakapinda havo


kunoona mai vake sezvo 1 yaive yakwanawo . Joze ndiye aive last born mumba
mavo , uye ndiye ega aive mu Zimbabwe vamwe vese vaive overseas. Saka aidiwa
zvakanyanya nevabereki vake.
Vakainda havo mu ward maive na amai vake , vaiti vakunzwa zviri nani . Uye
vaive vanzi vachabuda manheru emusi uyu sezvo vaive vasina kunyanyokuvara
havo.

Takasvika amai vakatosvinura havo , ndakafara kuona amai vangu


ndakavambundira misodzi yemufaro iri mokoto mokoto . Amai vakafarawo
kundiona takamboita kanguva takambundirana .

Amai vakatenda amai Sharon nerudo rwavaive vaita , "she was a life saver i tell
you".

Amai vakati vaive vanzi vanobuda mangwana masikati saka taizodzoka tovatora .
Nhaka tsoka dzopera nekufamba , visit yakazokwana nguva yekuti tibude ,
ndakambundira amai vangu ndokuvabhabhaisa ivo vakati ndofarisa Rue na Nama,
takabuda hedu ndaive nemufaro mukurusa .

Joseph pakanga pakukwana nguva yekuti vachibuda akabhabhaisa amai vake ,


akafamba achienda ku door baba vake vari mumashure .

Akanzwa inzwi raive familiar , paakati acheuke aone kuti ndiani ndiye dhuma
dhuma maziso na Tambudzai .

Akada kudzokera pa bed yaive na Tambudzai asi aka...............!!

End of chapter 14

To be added in Whatsap grup inbox number above .

Stay tuned for the next chapter soon .

Like our fb page Aka Heather stories

Love you all my fans


Nyevero

Chapter 15

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

Joseph akada kudzokera pa bed paive namai Nyevero asi akadzorwa na nurse
vaidzinga vanhu mu ward ,
"Can I see that lady please please ma'am ?"
Akazama kuti adzokere asi nurse vaya vakati nguva yekuona varwere yakwana,
vakufanira kuzorora .
Avawo mai Nyevero vakatoshaya kuti Joseph aiitei mu ward umu? Sezvo
vakamuona ava ku door havana kuziva kuti anga auya kuona mai vake.

Takabva pachipatara ndiye tande ne road yemaChina todzokera kwedu kumba. Dai
paiwanikwawo zvimota veduwee , tsoka dzangu dzaive dzoita kupisa mongonzwa
imi.

Takazosanganawo nengoro yekwa sabhuku ndokukwidzwa , ndakati mwari maita


henyu tazofamba nyore. Better yaive nemufudzi wavo
wemombe , dai yaive na sabhuku ini ndaisambobvumidzwa kuikwira. Ko handiti
taiva nenyaya isati yatongwako?

Takatozokasira kusvika kumba , takasvika zuva rorereka kunopinda muna mai


varo.
Takawana pamba paine order yakatondityisa , nekuti naRue waiwana mumba muri
junky semunogara bhachura, Ndofunga aitotya Sharon hameno.
"Sharon chiwoneka shamwari dzako tiende mangwana ukuenda kuchikoro".
Mhamha mai Sharon vaidaro Sharon kuti vaende naye.
Ko aigofirawo yana sahwira here kusaendawo kuchikoro , ndiye adiii zvake?

Ndakabva ndati Rue atobudawo ne dhoghi , kunorivharira kwambuya . Musi uyu


sisi Nama vakaramba kuenda, pada vaiti ndauya nezvinonaka hameno! !

Zuva rondovira Joseph akaimhanyisa Range Rover akananga kuchipatara. Shasha


yaida kutanga yaona Tambudzai , yozotora hayo muchembere wayo yoenda kumba
.
Sezvinei achingoti tsviii kumira pakada kuti achidzake akanzwa izwi ramai vake
mugotsi make.

"Inga wabata nguva sonny , ndatobva kubuda izvozvi ndandakuda kutogara zvangu
pamushana".
Vakadaro amai vake vachitomumbundira, akabatikana asi papasisina zvekuita .
Akambundirawo amai vake , "zvamai asikana Inga ndobata nguva pese pese wani
amai ?"

Vakaseka zvavo nemwana komana wavo uyu, "nhai Joe mwanangu woda ndife
here ndisati ndaonawo mwana wako? ". Dai izvozvi atori muroora wangu ari
kundipepa apaa!!
Vaitaura sekuseka havo asi vaitorevesa , vaive voda kuonawo mwana wegotwe
ravo.

"Mom just wait and see this time , this time ndikunotora svusvura ndadya chaiyo
amai ". Akapindura achitovhurira mai vake door kuti vagare zvavo vaende .
Zvekuona Tambudzai zvazvakona , akati aizodzoka mangwana kuseni. Akaitsika
mota akananga kumba kwevabereki vake , nyaya dzichitsva hadzo.

Pakaenda Rue kwambuya ndakasara ndobika zvangu , ko ndaibika ndakafara zve


ne danzu, danzu yaidiwa maiweee! ! Ndakashamisika kuona Rue akasira kudzoka,
ndakaziva zvangu kuti pane chirikuiremera. Ko Rue airemerwaka hana yake
yaisachengeta mashoko kunge yaNama.

Shasha yakasvika ichifemereka , ndakamboda kumuseka shuwa munhu angatoite


seachaita athsma nekumhanyira makuhwa?
Akasvikoti munyasi mangu gwee ," kwakanaka here asikana nhasi ,? News
reporter tiudzei tinzwe?$
. Ndakadaro ndichiseka zvangu.

"Nyevero iwe nhasi waruzirira yowee,nhasi kana sekuru vaya vekuseri uko vakafa
vaya havana chavakaona.",

"Ndaruzirireiko nhai Rue?,Taurazve nhai!"

"Mmmmm, ambuya kuuya pano ne bag redzungu haikona nhasi kungoti nhasi
vawana ndisina zvangu bhero remanyawi, Ndandichida kuvagadzirisa, kuuya
vachipopota hanzi asi makatora nyama yangu?, Nxaa mbuya vayaka ini havasi
mbuya vangu ini",

"Asi iwe wakatora nyama yese nhai Rue?"


Ndakabvunza nekuti pakauya nenyama ndakakanganwa kumubvunza kuti asiya
imwe here?

"Hehehede ,seka zvako mwana waChihera , aiwa handina zvangu kutora yese
nyama asi yakasara ndakapa imbwa".
Rue akataura senge pwere chaizvo,dai pasina kuzivana ndaitoti pada
anoroya,mashoko ekuti munhu ungatotaurawo pane vanhu iwayo?

"Saka nhai Rue mbuya havana kuona here nyama iyi?".

"Havana , ndandaiisa ku bedroom kwa mai uko".


"Ukuwo Sean ndanzwa achiti ashurwa shurwa na mbuya , hameno akapagara .
Haaaa mbuya inofarisa mhani iya , paaingunopopota kudai ndaitomona zvangu
sadza."

Ndakazoputika zvangu nekuseka ,shasha payakati yadira maheu mochoto kuti


mbuya vasanzwa hwema hwenyama. Mwana wa mai vangu uyu dai akaitwa actor
chaiye nekuti mafirimu anoshuta. Asi aive avagona, mbuya yepi isina hunhu?
Kutuka muroora havazivi kuti ingozi? Ko iko kupa mwana wavo imba ne
girlfriend zvakatovaomera, ndosaka vaigariswa kumusha sekuru vari ku town .

"Saka mhamha varisei nhai Nyevero?".

Mwana wamai vangu akura chokwadi kutoziva kuzobvunzawo amai? Asi


zvakazofungwa apedza makuhwa.

"Amai vari right Rue, tichanovatora mangwana ndopavanzi vanobuda ".


Ndakapindura ndakutopakura hangu sadza kuti tidye.

Pakangotaurwa zva amai sisi Nama vakabva vatanga kuchemera amai, pakaita basa
kumunyaradza. Rue hameno akaenda naye panze akadzoka anyarara zvake
tikatanga kudya.
"Rue mangwana musazoita musikanzwa handiti? " Handidi kusvika na amai paine
zvimwe pano be a good sister handitika? Shasha yakagutsirira hayo musoro
," asi dhongi ndinovhurira mangwana ".

"Unopenga here iwe Rue woda kuuraya dhongi nenzara? " Ndakadaira nehasha
shuwa kuita ikoko?

"Aiwa kana harimbofi nenzara, Sean vati vanoburitsa ndataura zvangu navo".
Akapindura akatopombonoka ndakati pamwe akurevesa ,chero dai ainyepa Rue
aive chandagwinyira . Aitorevesa aisazomboenda kunorivhurira.
Ndakarongedza hangu nekupa boki sadza tikanorara. Tatorara Nama akatimutsa
kuti takanganwa kunamata. Chokwadi nekuneta ndandatokanganwa ini
kutokububuka pasina prayer, ndopaunozorota uchimhanyiswaka nemapere ipapo.

Takamuka ndikanamata, " mwari baba varikumusoro kudenga maita henyu


maswera makatichengeta muzuva ranhasi . Mwari maita henyu maporesa amai
vedu chititungamirai nguva dzose mwari,.tirwirei kuvavengi vedu mwari .
Patakurara mwari isai ruzhowa rwenyu murare nesu namai vedu rarai
makavachengeta nekusingaperi. Amen"

Musi uyu takarara hope dzeumambo chaidzo. Kutorota ndakudzidza ku Boarding


nditori form 6 . Pandakamuka ndakaseka zvangu, ini Nyevero Mabika Boarding
school ?
Ndakati ndokunakirwa nemachira manje uku aaah!!

Ndakamuka ndikanamata zvangu semazuva ese, vasikana handina kuda


kuvamutsa. Ndakaita basa rese kuti Rue asazonetseka sezvo ruoko rwaimbonzi
rworwadza pamwe zvonzi rwapora. Kupiko kutya basa ndandakumuziva munhu
wangu. Apa sora ranga rodaidzirawo sei mutuzviyo twataitotarisira. Ndakangoti
tozoriona amai vadzoka, mai vakakosha hama dzangu pamba paitooneka kuti
hapana mai. Baba vakaita benzi asi mai kana varipo hazvizonyanyowoneki hameno
pakazoita mai benzi panobuda chakanaka here.

Ndakapedza ndikasiya ndabika manhanga ,tea aizobikawo Rue . Ndakamhanya


kunogeza chimbi chimbi sezvo nguva dzaive dzakufamba. Ndichipedza amai
Sharon vachisvikawo, hatina kuzombomira takapinda munzira tonanga
Murambinda. Ini mufaro waive kungoti chaiko kuti tikunotora amai.

Sean akamuka akatokwidza akanonokera boss lady vake vakanga vatomunonokera.


Sezvo pay yake yanga yapinda yekupera kwemwedzi anga
asisatombovanyengerere ," ambuya ini ndakuenda ini musare zvakanaka ".
Akadeedzera Sean aona chembere iyi isiri kubuda.

"Wakuendepizve makuseni ano nhai Sean ?" Wakutoenda kumombe here ? Asi
kune dhibha kani nhasi kwawadai kumukira? "

Vakadeedzerawo vari mumba sezvo vaigadzirira kuenda kumusangano .

"Aiwa ambuya ndakutoenda kumba kwedu handichadi basa ".


Chembere yakabuda mumba iri speed ikasvikoda kunyengerera Sean kuti asaenda .
"Nhai muzukuru ungabva wateedzera zvambuya vako here? " Kumwe kwakukura
uku , ndaitotamba hangu nezuro paya zvenyama zviya. Zvino woda ndisare naniko
nhai Sean?"

"Moona zvekuita ambuya ini ndaenda ". Akarodaro akutotakura changani bag yake
Sean .

"Hey Heey !!,


huya zvako nekanhava ako , haisi nyama yangu yandaitsvaka here iri muka bag
umu?"
Vakagozunza changani bag riya hapana chavakaona. Sean akarongedza mbatya
dzake akarova road .
Vakachisara vakaudyura maziziso kunge kiti yabatwa ichiwozhera muupfu.

Handiti vaidadira vana va mai Nyevero nhasi inokuenda kumombe. Apa kuti
varovhe kumusangano zvaisaita vaive leader vaitodiwa kwaNyanzira chaiko
mufambo waivepo wakatooma.
Chembere yakagaya kunokumbira mai Nyevero kuti vasare nemombe , ko handiti
vavasingazivi kuti vakaenda kuchipatara.
Vakakwidza nayo road vakananga kumba kwemwana komana wavo vaiziva kuti
mai Nyevero havarambi kutumwa manje vanga vaigochera pautsi vaisvikoona sisi
Rue.
Ukuwo Joseph haana kurara achifunga Tambudzai, ko aimuziva achinzi
Tambudzai kwete mai nhingi.
"Asi ko kana Tambudzai akaroorwa ndichaita sei?" Ko ndikangorega kuenda
kuchipatara pamwe ane murume wake? Aaah hameno ndongoita sendikutsvaka
someone .Joseph aizvitongesa ari ega, akazorovera moyo kudombo akamuka
akageza mazino kuti amhanye ku visiting yekuseni. Akati aizowana mhinduro yese
yezvaaida kuna Tambudzai .

Akapfura nepa take away akatenga coffee nechingwa chaive nemazai


ndokumhanyisa mota akananga kuchipatara. Akasvika pachipatara na6am axacly
akabva atomhanya mu ward muya, hana kuda kusvika zve dzangu akambo
tenderera tenderera kunge ane munhu waaitsvakaizvo kupi aida kuona pa bed pa
Tambu kuti hapana aizouya here ? Akaita 10min achitenderera akaona hapana kana
auya, tea yaitoporaka munhu achingotenderera nhai?

Akazoswedera pa bed paive namai Nyevero, vaive vakatokotsira zvavo ko


vaizivaka kuti hapana anovashanyira makuseni.

"Tambuu !! " Tambuu!! Akatozoita vekuzungunusa kuti vamuke.

Mai Nyevero pavakasvinura vachisanganidzana maziso na Joze akagara pa side pe


bed yavo , vaka. ...............!!

End of part 15

Watch out or part 16 soon

To be added in WhatsApp grup inbox number above .

Like our fb page Aka Heather stories for more stories .

Love you all my fans thanks for your support.


Nyevero

Chapter 16

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Mai Nyevero pavakasvinura vachisanganidzana maziso na Joze akagara pa side


pe bed yavo vakavhunduka*

Vaisatarisira kuona Joze muchipatara umu,


"Ko ukuitei muno nhai Joze?"

Vakabvunza mai Nyevero.

"My mom was admitted here, vanga vatadza kutsika asi vakumba zvavo. Ko iwe
ukunzwei nhai Tambu? Ndakakuona nezuro but ndakatadza kuzodzoka kukuona pa
visiting yemanheru." Akadaro Joze achitambidza Tambudzai coffee iya.

"Long story Joze, but thank God I'm okey now."


Vakapindura mai Nyevero vachimwa coffee zvavo.

"I'm patient to listen to anything you will say Tambu , I care about you".

Mai Nyevero vakamboramba vakanyarara zvavo vachimwa coffee yavo.


"Waita hako Joze wandiigira coffee, can you please leave I want to rest?"

Vakadaro vachitotsveta coffee iya kuti varare. Ndofunga vanga vasvotwa here
nekuti I care about you kwakataurwa na Joze?.

"Asi watsamwa here Tambu? Sorry haa. ..!!"


Hana kuupedza muromo iwowo agamwa na mai Nyevero.
"Iwe Joze or baba ani wee hameno, ini ndonzi mai Nyevero wanzwa? I'm married
now happily married wanzwa? For your own information ndine vana vangu vatatu
please get out now!"

"Whaaaat!!"

Hana zvakataura zvimwe Joze akabva angosimuka kuti abude hake. Achingobva
pa bed paya akadeedzwa nevamwe nurse,

"Sir mukadzi wenyu akubuda nhasi masikati".


Vakadaro nurse vaya ko vaizivei kuti hasi murume wavo? Uyuwo Joze
zvakamunetsa kuti ko why anzi husband ya Tambu. Akangoti okey ndokubuda
hake. Akaita mibvunzo yakashaya akapindura. Saka does that mean ma nurse aya
haazivi murume wa Tambu? Or Tambu andinyepera? Akazvibvunza akashaya
akapindura asi akati aizodzoka masikati acho kuona achatora Tambudzai.

Mbuya vakasvika vasikana varipo zvavo pamushana,

"Mamuka seiko vazukuru vambuya?"

Kunyepedzera kunge vanovada ivo vaida kutuma. Rue akaramba zvake akanyarara
seasina kutovaona , Nama ndiye akamhanya kunomhoresa mbuya. Ko aive mwana
mudiki ka hapana chaainzwisisa asi vakuru ava vavakuziva.

"Nhai Rue asi hausi kundiona? Wakaitwa seiko mwana iwe? Ucharoya kanogara
kakakwindimara kunge kamuroyi."

"Nhai Nama zvako muzukuru wangu amai vako varipi?"

"Mhamha vakaenda kunotenga chingwa kwaMurambinda mangwana".

Akapindura zvake Nama ko aiudzwaka nana sisi kuti amai vanotenga chingwa. Ko
kuzoti mangwana achida kuti nezuro.

Ambuya vakaona kuti vakada kuita hasha vanoirasa , saka vakatopfavira ngoma asi
vaisaziva kuti ichavaomera zvayo .
"Nhai Rue mwana we mwana wangu wekutanga amai vako varipi? Dakuvapa mari
yenyu yechikoro yakabva kuna sekuru venyu."

Rue paakanzwa zve school fees akabva adaira,


"Amai havapo vakaenda kuchipatara marimwe zuro ndipei mari yacho ndozovapa
vauya".

"Aaah!! Ko nei musina kundiudzawo?" Chembere iyi kunyepera kunge ine rudo.

"Zvamai vedu ndozvamaizotirimuka here ambuya? Inga pandakarwara hamuna


kana kuuya pano kuzondiona wani? Takangoti hatingakunetsei nezvisina basa."
Akapindura zvake Rue akatopombonoka.

Ambuya havana kuzoda kuramba vachitambisa nguva sezvo nguva dzaitofamba


vakabva vati dyooo panyaya yavo.
"Ko nhai Rue ndokumbirawo kufudzirwa mombe kwanhasi chete? Ndokupa hako
5$ iyi."

Rue akakasira kufunga akati chembere iyi yanga ichida kutamba nepfungwa dzedu,

"Aaaah ambuya $5 inotengei? Itai $15, Ende ndotoida mari yacho ndozoenda
kumombe kwacho."

"Zvakanakai $15 yacho iyi, mokasira kunovhura mombe dzacho."

Vakatambidza Rue mari vakabva vaenda zvavo.

Rue akafunga zano akakiya ma door kwakutakurana na Nama vakananga


kwambuya.

Achisvika akanovhura mombe dzaambuya dzaisvika kuma 20 agodziti risva


mumunda mavo , iye kwakutoenda zvake na Nama kunotsvaka tsambatsi. Akati
nhasi chembere iyi kungwara kwese kunopera, yanga yatamba nevakangwarisa
kuvadarika.
1 o'clock yakazosara yochaya tatonzwa nekugara zvedu namai Sharon, apa
makumbo angu aive akuita kuvhita vhita nekufamba kwataive taita. Apa
papasarazve kudzokera papakatooma.

Takuda kutosimuka takaona amai vakuuya vakagukuchira tutsapo twemapiritsi.


Amai vangu vaifamba nedza Adam ko handiti pavakadonha vakanga vangoiswa
mumota vasina kana pata pata zvaro.
Iniwo ndandisina kumbozvirangarira saka ndandisina kumbotakura shangu dzavo.

Ndakamhanyira amai vangu , ndakasvikotambira mapiritsi takambogara hedu


tichizorora kuti tigozoona kufamba.
Sezvo $30 iya yandakapa mai Sharon vaiiti yakapera , taitofanira kuti tinanaire na
amai kuchakachena .

Takazosimuka hedu kuti titangane nerwendo rwedu. Tangoti fambe fambe kubva
pachipatara apa ndakanzwa bhero remota pii-piii-pii kumashure kwataibva.
Ndakatoti vana amai vasuduruke mu road kuti mota yaiiridza bhero idarike.

To my surprise mota iya yakasvikomirawo pa side pedu chaipo, mutyairi


akadeedzera zita raamai vangu rekuberekwa chairo akati tipinde mumota.
Ndaitoti amai vachapinda izvo aah kwakutoita kunge vasina kunzwa zvataurwa,
vakaramba vachitofamba zvavo .

Takaramba tichifamba mota iya yakateera zvakare ikasvikomira akadeedzera futi


mutyairi kuti tipinde .

Joseph akanga auya pachipatara apa before 1 o'clock , akapaka zvake mota yake
pachipatara aida kuona anozotora Tambu. Paakaona pasina kana murume
ndopaakatanga kutevera nemota achiridza bhero kuti vamire .

Mai Nyevero vakamboramba vachida ku ignore Joze vaitya kuti ko mwana wavo
anozotii? Ko ivo vanoti vakukwira mumota mani? Ko iye Joze dzake itsitsi dzei
kubisa mwana wemvana madziwa? Ko mai Sharon havazoti ndakuhura?
Vaishushikana mumoyo mavo vakazoti,

"Mukwasha musazvinetsa tofamba zvedu tikuenda padhuze dhuze chaipo".

Aaah asi amai ka chokwadi vari kuti padhuze ? Mberi kwe Marovanyati uko
zvakaoma. Ko ini ndaigozivei kuti vaivewo nema reasons avo ekusada kupinda
mumota . Iko kudawo mota kwangu ndaive ndatosvotwa kunge mota yacho
ndaiziva kuti ndeani?

Ndakarovera moyo padombo ndikati gandibvunze amai,

"Nhai amai Inga munhu uyu akukudaidzai nezita akuratidza kukuzivai wani? Imi
mukurwara amai why mukuramba kutakurwa?"

Amai vakamboramba vakanyarara kwakuzoti okey handei. Mai Nyevero vanga


vaona kuti mwana akubvunza zvakawanda saka vakazobvuma kupinda mumota.

Takapinda muzi mota rino ranga rakanzi Range what what handichaziva iyyy
mutepfe tepfe waivamo. Kana mubhedha waamai waisasvika ipapo. Takagara
zvedu kumashure vamutyairi vari vega kumberi.

Hapana aitaura neumwe taingonzwa mimhanzi yainakidza samare mumota umu.


Mutyairi ndakangoona oramba akati tande nenzira, ndiye uyo turner akananga pa
makumbo restaurant .
Akatisiya mumota akadzoka akabata tumwe tuma plastic tunenge tuma plates tuine
sadza neusavi zvainhuwirira samara ne 2l ye coke netuma cup akatitambidza umwe
neumwe zvake.
Ndopaakazobvunza kuti ofamba sei?

Ku Chivhu nhumbu yamarwei yakarwadza hameno yaive yasvika here or yaifunga


nyama. Rambwai akamhanya mhanya kuenda naadzimai vake vechi 2 ava
kuchipatara, achisvika vakaiswa ku ward kunosunungukirwa. After some hours
marwei akasununguka hake . Rambwai aive akangomira uku achifara kuti mwana
mukomana auya kunge akanga ambopinda mudumbu akaona mwana wacho.

"Congratulations sir , mukadzi wenyu azvara mwana mu.............!!

End of chapter 16

To be added in WhatsApp grup inbox number above .

Stay tuned for the next chapter soon

Like our fb page Aka Heather stories for more stories

Love you all my fans happy reading !!!

NYEVERO

Chapter 17

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

"Congratulations sir, mukadzi wenyu abatsirwa mwana musikana.


Mokwanisa henyu kunoona mukadzi wenyu nemwana sikana wenyu sir.

Rambwai akangoti kwanyanu paaive akagara haana kana kucheuka akarova road
akananga ku location kwaaigara. Haana kana kuda kunoona mwana nemudzimai
wake kuti varisei?
Gona ana gona wake chokwadi aitiza mai Nyevero achiti vanozvara vasikana,zvino
mwari anga amukozveka Rambwai musikana futi anga auya. Mwana chipo
chinobva kuna mwari kani veduwee , hapana paungambochinja marongero
amwari.

Sisi marwei zvavakaona Rambwai asina kuuya kuvaona akatoziva zvake nyaya
yacho, akafunga zano raizoita kuti arambe achigara naRambwai pasinakunetsana.

Amai patakatambidzwa sadza ndopavakazotipa ma introduction . "Nyeve


mwanangu ava vanonzi uncle Joze he is my childhood friend ,Joze uyu mwana
wangu anonzi Nyevero ndiye 1st born yangu . Ava vanonzi mai Sharon ishamwari
yangu mai Sharo uyu I old friend yangu".

"Tafara kukuzivai uncle Joze". Ndakadaro hangu ndakukabura sadza rataive


tapiwa, ivo vakatiwo vafara kundiziva same same na mai Sharon . Uncle Joze vaita
semunhu ane moyo wakanaka I wish if he was my father dai tichifamba hedu
nemota nekuendawo kuzvikoro kunodhura.

Amai Sharon pavakaona kuti vakuenda nemota kumba vakakumbira


kunotakurirwa zvinhu zvavo zvaive zvabva Joni ," nhai mukwasha
ndokumbirawoka kana zvichiita munonditakutirawo kapasuru kangu kwaMutomba
uko kana zvichiita".

"Zvakanakai !! Akapindura Joze .

Mota yakateneswa ikamhanyiswa yakananga kwaMutomba kuya na uncle Joze .


Pasina nguva tatasvika amai Sharon vakamhanya kushop kunotora zvinhu zvavo.
Ndakaona uncle Joze vakubudawo hameno vakapinda mune imwewo supermarket
hameno vainotengei?.

Joze zvakabuda mumota akanotenga ma Tommy ku Bata akanga aona mai


Nyevero vachifamba nedza Adam. Akatenga ari 3 ma size sezvo aisaziva size yavo
,akatengawo mapumps 3 sizes as well , akatenga dress rakanaka raaifunga kuti
Nyevero anokwana akatengazve grocery re $50 ne Nokia X2 inoenda pa
WhatsApp kazviisa mu changani bag akadzokera hake akanoisa mu boot remota
yake.

Amai Sharon pavakadzoka takabva taenda, uncle Joze vakati ndiuye ndigare
kumberi ndichivaratidza road. Ndajangoudzwa muromo umwe ndakanga
ndatosimuka ndakagara kumberi kuya ndikagoiswa chinenge chi belt hameno
ndechei?
Ndaiva directa tichienda zvedu takafamba nyore kani musi uyu ndakafara kwete
zvekutamba kufamba chaiko ndaive ndisingadi makumbo aive orwadza veduwee.

Pasina nguva takanga tadongorera mu village medu, takanga nekwamai Sharon


kuti vasazoremerwe kutakura. Takazoenda kwedu zuva raive rarerekawo,
ndakashamisika kuwana team yangu isipo ivo vaive vati havasi kunovhura dhongi.
Uncle Joze vakangodzaka nekutora zi changani bag kwakutambidza amai .

"My angel mari iyi ugonotenga ma sweets kuchikoro handiti "? Ndakatambira $20
yandaitambidzwa na uncle Joze ,momoyo ndakafara kuti ye school fee yatoita
sezvo taibhadhara $20 per term .

Rue akazobva zvake kwaaishanda kwakupinda muhozi mechembere iya akatora


bhagidhi remusvo wenzungu waivamo akapa matoki nehuku dzambuya dzikadya
zvihururu zvikaita kurembera . Akavhurira tsuro dzaichengetwa naambuya vacho
akabata mbiri akapa imbwa dzimwe mbiri akasiyamo.
Pakazovira zuva akabva aisa dhongi mudanga kwakuvhara akabisa mapango kuseri
kuti mombe dzigonzi dzakapoya, akabva abereka mwana wamai vake kwakuti
tande nayo road akananga kumba kwa mai vake .

Uncle Joze vakaoneka havo voda kuenda, ndopakasvikawo team Rue na Nama .
Vakasvika vakamhoresa uncle vakabva vapiwa ma introduction na amai.

"Uncle Joze ko vana venyu varipi?" Ko mukadzi wenyu ? Ko mogarepi? Ko


hamudi here kugara nesu pano tichienda kumombe? Ndi Sisi Rue vainaya uncle
nemibvunzo . Ndakamboda kuseka aah zvaRue asikana kana uti zvabvepi
zvaaibvunza unotozvoshaya.

"Nhaiwe Rue unozvidiii zvese zvauri kubvunza? " Kasira kunogeza uko !! Ndi
amai vakanga vatsamwa nehunhu waRue . Rue chero rova hameno aive akatodza
ani ? Aisachinja maitiro ake ndaigaro mutsuura asi aisanzwa.

"It's okey mai Nyevero she is just a child ". Vakapindura uncle Joze .

"Rue my angel , ndichadzoka umwe musi totamba handiti ka?" Tozoenda


kumombe handiti?

OK uncle !! Vakapindura sisi vasisina mufaro. Uncle vakaburitsawo 20$ vakapa


Rue kuti agotengawo ma sweets kuchikoro ,Nama akapiwa 5$ yakewo vakaoneka
vakaenda havo.

Chembere yakabva kumusangano masikati ikaenda ichitsvaka mukomana webasa


mudzimba ,asi hapana wayakawana. Yakazorova nzira yakananga kumba
yakasvika kumba zuva ratovira kwakutosviba kana kubika haina yakabva
yangonanga kunorara.
Kana kufungawo kutarisa mombe kuti dzakakwana here havana, dai dzaitovemo
mudanga macho .

Ndakazobvunza Rue kuti ko anga aendepi, " ko mamaendepi nhai sisi Rue ?"

"Zvakaoma shamwari ko muchembere auya akati hee endai mofudza mombe zve
ndokwatatanda ".

Aah! I we chaiye kunofudzira mbuya mombe? Iwe Rue zvazvadii? Vakupeiko?


Ndakabvunza ndashamisika nekuti Rue ndainyatsomuziva.

"Aiwa ndatovabhadharisa vandipa $15 iyi ". Hanzi Sean akarova pasi, nxaaaa regai
aende Chembere inoshusha iya haiwa vaya ndikagara navo vanoita mushe.
"Iwe Rue handidi munhu anotaura zvakaipa pamusoro pevanhu vakuru ". Amai
vakapopota vachibva ku bedroom kwavo vachiuya ku kitchen kwataiva .
Vakawana haikona nyama yakati tande tande pamutariko.

"Nhai Nyevero nyama yakabvepi iyi?" Amai vakabvunza vashamiswa nekuwanda


kwakaita nyama iya.

"Taka.....!

Handina kupedza kutaura ndakabva ndagamwa na sisi Rue.


"Takipiwa na ambuya amai pamombe iya yavakauraya vakatipa share yedu ".
Amai havana zvavakatuara zvakawanda zezvo munhu airwadziwa nekuurawa
kwemombe yake.

"Nyevero enda unotora bag ratapiwa na uncle Joze riya". Vakadaro amai ndakaita
kumhanya ndichinotora bag sezvo ndaitodawo kuona kuti munei mu bag imomo.

Ndakauya naro bag tikavhura kwakuona haikona mune hudobi dobi. Amai
vakakwana ma Tommy ne mapumps one pair amwe ma pair ndini ndaikwana ,
dress raikwana sisi Rue .
Kuzoti foni iyyy amai vakamboda kuti pamwe haisi yavo, ndikavati saka moti
ndeyani ndopavakazoitora vakaisa line ravo vachibisa mukambudzi kavo.

Takazopa amai amai mari dzataive tapiwa na uncle Joze, yese yakaita $55 neya
Rue yaive apiwa na ambuya saka ye school fees yanga yaita pachitosara change .
Ndakafara kuti tatakuendawo kuchikoro zuva raiteera. Takabika zvedu tichifara
haikona kutamba. Takutonorara takanzwa dhi dhi dhi mazimutsindo panze
takabuda kuti tione kuti chaive chiii?

Rambwai zvaakabva pachipatara akananga kumba kwavo kwaailodger namarwei


akapeka peka ka bag akafonera boss wake kuti kumusha kwaita urwere aizononoka
kuuya kubasa mangwana. Akabva ananga pamushika shika kunokwira akananga
Marenga aida kunoona mhuri yake kuti akumbire hake ruregerero nezvaakanga
avakanganisira. Akasvika ku village kwavo kwatosviba sezvo paivewo nemufambo
kubva paMarenga.

Ukuwo marwei akaronga kuuraya mwana wake musikana uyu, akamudzvinya


pahuro mwana ndiye sarai. Akanyahwaira akabuda akananga kune imwe mbuya
yaita zvemushonga aida kunogadzirisa kuti Rambwai amude uye agare zvakare
naye voita umwe mwana.

Marwei akasvika pamba pembuya iya kwatoti hunderere akarondedzera nyaya


yake kuna mbuya godobori.
"Zvishoma izvo muzukuru uri kuona pagirazi apo tarisa uone? "

Marwei akadongorera akaona haikona Rambwai achikanyaira achisvika pamba


pake kumusha.
"Mbuya itai something please handidi kuti vatombowirirane kumba ikoko.

Ambuya vakatora mishonga yavo vakaita zvavakaita, " chidzokera kuchipatara iwe
muzukuru zvatoita so. Akadzokera hake kuchipatara marwei akanyahwaira
kupinda mu ward maaive kwakurara.

"Rambwai paakati a.........!!"

End of chapter 16

To be added in WhatsApp grup inbox number above .

Stay tuned for the next chapter

Like our fb page Aka Heather stories for more stories

Love you all my fans sorry yaita short as you know I'm not feeling well but ndaita
kuti ndikupei something to read !!.
NYEVERO

Chapter 18

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

Rambwai paakati gidhi kusvika pamba pake akatanga amira achinyatsofunga


statement rekusvika naro mumba, mongozivawo nyadzi dzokunda rufu. Paakada
kuti achienda mumba mushonga wakanga watumirwa na mbuya godobori wakabva
watanga kushanda, shasha yakanzwa musoro sewatsemuka ndokumbomira.
"Ko pano ndikuitei? " Ndauya sei kukachembere aka kandakaramba kare kare ?
Shasha yakatanga kuzvibvunza asi yakashaya akapindura.

Patakabuda panze takawana baba vakati tumbi kumira pakati pechivanze, Nama
akamhanya kuna baba kuda kuvambundira ko mwana mudiki she is like a angel
hapana chaanoziva aah mwana akazavhurwa kwete kutamba akaita seachadonha
akachema hake achiuya kuna amai.
"Makadii henyu baba ko. ......!!" Handina kupedza muromo iwowo ndagamwa.

"Pwapwa Pwapwa kudiiii? " Handisi baba venyu ini ,vana vepfambi ndatouya pano
kukuudzai kuti muite murongedze madhende enyu mubve pano dakuuya kuzogara
pano nemukadzi wangu nemwana wangu.

Takagotukirirwa kwete kutamba, zvino tikabva pano toendepi nhai mwari?


Ndakatanga kuzvibvunza uku amai vaive vongosvimha misodzi , hapana chinhu
chorwadza sekuona mubereki wako achichema vaienda kupi nesu nhai? Kumusha
kwavo vaive varambwa saka taienda kupi? Takazosara topinda mumba baba
hameno vanga vatoenda . Saka chokwadi murume mukuru kupishanisa makumbo
ake achiuya kuzotaura mavhu nemarara akadaro? Chokwadi takavatadzirei baba
ava? Ndakarwadziwa hangu musi uyu daily ndaivewo munhu mukuru
ndainishanda hangu ndochengeta amai vangu.

Rambwai zvaakabva pamba pake akananga kumba kwa amai vake ,musoro wake
wanga watozara mvura chaiyo akaenda achipopota road yese. Achisvika paruvanze
akawana mombe dzakazara paruvanze dzimwe dzakazara mumunda. Akananga ku
room kwairara Sean kuti amumutse atinhe mombe mumunda ko aizevei kuti Sean
akarova pasi. Paakawana asimo akanomutsa amai vake avo vakanga vatofa zvavo
ne hope vaitorota zvavo vari kudenga rechinomwe apa munda uchirakashwa
nemombe .

"Amai amai!!"
Mukai mombe dzapoya.

Chembere ichinzwa izwi remwana wayo yakamuka chimbi chimbi ikamhanya


panze sezvo kwaive nemwedzi muchena chena vakanotinha mombe dziya
vakawana haikona mombe dzasakadza munda, chembere yakabata gotsi ikachema
zvainzwisa tsitsi. Vakazopfigira havo mombe dziya ndokuzomhorosana mai
nemwana .
Rambwai akarondedzerawo kuti kwazvarwa mwana musikana uko,amai vake
vakangobwaira bwaira maziziso ainge ekiti kukura . Ko vaigotii ivo vaitiwo
marwei anozvara mwana mukomana kunge vaive mudumbu macho
,vakazomusimbisa mwana komana wavo kuti ashinge namarwei aizoita mwana
mukomana, chavo vaisada mai Nyevero chete ruvengo rwacho rwanga rwakaoma.

Vakazorara zvavo Rambwai akati aizodzokera mangwana kuseni onoona mukadzi


wake kuchipatara ko mushonga wanga washandazve.

Joze akasvika kumba aine mufaro waisvika kugotsi ,kana amai vake
vakatombomubvunza kuti ainyanyofarei? Akavati aizovaudza vapedza kudya,
amai vakamirira havo kuzonzwa zvaifadza mwana wavo. Vapedza kudya amai na
baba va Joze vakateya nzeve kuti vanzwe zvaifadza mwana komana wavo uyu.

"Eh mhazi taurai tinzwe". Ndi amai va Joze vakadaro vaive vanonokerwa nenyaya.

"Okey ,baba na mai ini ndafunga kuroora asi......!"

"Ululululululu , helelelelelele". Joze haana kupedza kutaura amai vake vasimuka


vakuita kupururudza pavakangonzwa kuti kuroora . Zvaida kutaurwa tsvee kana
gumbo rakanga rabva kuchipatara rakapora.
"Mwanangu waita hako wakuda kuroora, saka uchauya naye riini timuone?" Vana
maiwo futi , ko kumirira vanzwe zvese zvaida kutaurwa?
Ko amai ava vachaita sei vakanzwa kuti mukadzi uyu ane vana vatatu? Ko iye Joze
wacho akarambwa na Tambu ?.

Joze akangoti," achauya hake amai muchamuona ". Asi mumoyo make aizvidya
aisaziva kuti mai Nyevero vachabvuma here ? Ko ivo baba Nyevero varipi zvese
izvi aive asati ane mhinduro. Asi iye akanga ada mai Nyevero nezvavaiva akanga
azvipira kukweva sanzu nemarara aro.

Joze akazooneka vabereki vake onorara sezvo aida kumuka achidzokera kuHarare
.
Akaenda hake kunorara, asati arara akafunga kusendera mai Nyevero WhatsApp
message sezvo X2 aive atoisetesa WhatsApp .

Message yaiti:
"Masara zvakanaka here amai Nyevero? Tambu sekuona kwandaita situation yako
zvandiratidza kuti baba vevana vako something is wrong somewhere. Ini hangu I
still love you Tambu and I'm ready to marry you and to be a good father to your
kids . As for me ndakamboroora asi takarambana nemukadzi wangu ndamubata
nechikomba mumba akabva aenda nemwana wandisingatozivi kuti aive wangu
here or aive wechikomba. Sorry to tell you this but that's the truth I still love you
Tambu . Kubva pandakakuona musuuya pa ecocash ndakabva ndafunga kare kare
paye tichiri kuchikoro.
Tell me your story I'm all ears ,ndikudzokera ku Harare mangwana but if you need
anything tell me . From Joze ". Akabva abaya send button kwakurara zvake akati
ndozoona reply mangwana, aitarisira zvese kutukwa kana kuudzwa zvakanaka.

Amai vakazonyarara tikazoenda muimba yekurara takanamata tikarara zvedu.

Amai Nyevero vakatanga kufunga zvaive zvataurwa naRambwai . Ko kana


Rambwai akandidzinga pano ndoendepi? Ko iye Rambwai haachatondida here? Ko
iye Joze uyu angandida zvechokwadi nevana vatatu ava? Amai Nyevero
vakapishana nepfungwa dzavo kusvika vazongoti mwari ndiratidzei nzira .
Vakabva vanzwa message kupinda mu foni.
Vakamhanya kutora foni vaifunga kuti pamwe Rambwai adzora moyo, wanei
yabva ku unknown number . Iri pa WhatsApp vakaivhura vakagoiverenga, hasha
dzikagosvika muhuma vakaita kubwitirirwa vakagopindura.

"Iwe Joze kana zvirizvo zvawatengera foni iyi ini handisi mwana mudiki
anonyengedzwa ne sweet wanzwa? " Handidi kana kukuona please I told you I'm
happily married leave me alone please !. Vakabva vabayawo send kwakudzima fon
nekubisa line kwakunokanda foni yacho muguru raive pamba pavo, kuita
sevacharumwa nenyoka usiku ihwohwo. Vakaisa line ravo mukambudzi kavo
kwakurara . Chinya chegurwe chaicho kuruma makumbo kana ratsamwa ko
rozofamba neiko?

Ndakamukobata jongwe muromo kugadzirira kuenda kuchikoro, musi uyu mufaro


waive wakawedzerwa kuenda kuchikoro nema Tommy manyowani ne uniform
nyowani ini Nyevero ? Ndakapedza kusuka suka kwakumutsa sisi Rue kuti tigeze
tapedza takapfeka uniform dzedu amai vakatideedza vakatinamatira ndokutipa
mari ye school fees . Sharon akabva asvikawo tikamhanya takananga kuchikoro.
Joze akamuka akaona mu fon makaponda message akatanga aita short prayer
kwakuzoi opener .
Zvaakawana imomo zvakamugura kunorurira kana simba rekugeza akarishaya,
akamuka akaperekedza baba vake kubasa iye akadzoka oendawo Harare. Haana
kuda kupindura amai Nyevero akambovapa nguva , akarova zvake mota yake
achinzwa mimhanzi akananga Harare via Wedza.

Amai Nyevero vakamuka vakageza geza kwakutakurana na Nama wavo vonanga


kwaSabhuku. Apa yaive ya Wednesday kwaSabhuku vaidiwa musi we Monday
yayapfuura.

Vachisvika kwaSabhuku vaive vakaita kufundumwara. Vakadeedza vanotonga


nyaya amai Nyevero vakangonzi makadheerera sabhuku hamuna kuuya pamakanzi
muuye mazouya pamunoda, saka mutongo wavo vanga vakuripa times 2 .
"Amai sezvo makatadza kuuya makashora dare saka imi mutongo wenyu moripa
$100 ,kana musina motipa dhongi sezvo takanzwa kuti ndorega ramunaro ".
Chisarudzai zvamunokwanisa?

Amai Nyevero vakapera mate mukanwa nezvaitaurwa apa asi chekuita vanga
vasina, kwekuwana $100 kwanga kusina, "zvakanakai zvamataura ndazvinzwa
handei henyu munotora dhongi racho ".

Vakadungamidzana vakananga kwavamwene vavo ,vakarohwa nehana vachisvika


munda wakaita kuchena kunge mapinda mombe dzeraini rese.
Ava vekwasabhuku vakangosvikoita zvavaive vafambira kwakutorova pasi.

"Ko nhai amai chip chakaitika mumunda?" Asi mombe dzakapoya? Amai Nyevero
vakatobvunza ne moyo une rudo. Vakagotukirorwa naamwene vavo vakangobva
vasina kana kuoneka vonanga kumba kwavo.

Chembere yakasara ikamema munda wayo misodzi ichichururuka ,


vaitombochemawo mai ava. Pavakadzoka ku munda vakauya nesora retsuro
wanike hamuna dzimwe haaa vakarwadziwa kusvika pabhonzo asi havana
zvizhinji zvavakafunga.
Vakazozarura mombe voenda kunofudza , gona ana gona wake chokwadi
chembere yakaswera ichindundurudzana nadzo dzemuswe.

Amai Nyevero vakazokwanisa kuenda kwavsMutema kunoona ndima ye balance


yakasara paya pamhosva ya Rue .
Vakasvika vaMutema vakagara zvavo vakakwazisana vakataura zvavaive
vafambira ,vakanoratidzwa ndima yavo raive gandiwa rese raive nesora haikona
kutamba. Vakaoneka zvavo vakati vaizotanga ndima yavo Friday sezvo Thursday
chaive chisi.

Ma nurse paakanoona vana vakawana mwana wasisi chava chando," amai tine
urombo mwana wenyu atisiya ". Vakadaro vamwe nurse marwei agoibongomora
mhere ye fake zvake. Rambwai paakazosvikawo achiudzwa mamiriro enyaya
anonyaradza umwe wake vozotorana nechitunha chemwana wavo vonanga
kunoviga kukabani kaive ko . Ko vaive vasinaka hama muChivhu saka hapana
akambovabatsira .

Nguva yekuenda kumba yakakwana takatorana na Sharon na Rue toenda hedu


kumba, "nhai Rue tione risiti yako yawabhandara school fees ?" Ndakadaro
ndichibvunza sisi Rue sezvo aive anditorera mari yake akati anonobhadhara ega.
Shasha yakatsenga tsenga mukanwa kwakuzoti mari yadzonha.
Moziva ndakangomitarisa, apa maoko ake akatsvuka kuti piriviri akatenga zvake
ma zap. Ndakarwadziwa kuti chokwadi Rue zvimwe zvanoita anoda mai vedu
vaitiwo sei ?
"Rue unomboziva uchaurayisa amai ne BP?" Unozviitirei nhai Rue ? Unoda tikure
tisina amai here iwe? Chinja maitiro mwana wamai vangu. Ndakataura ne hasha
ndakabatikana kuti ko amai vachanotiii?

"Aah iwe Nyevero handiti imari yangu yandakapiwa na uncle Joze kuti nditenge
Ma zap ?" Saka wanga uchida ndibhadhare school fee ne mari yangu yema zap ?

Ndakashaya kana zvekutaura ndakangotanga kufamba ndoenda kumba. Ko


ndakagozivei kuti shasha zvandatoitsura ndazviparira?.

Takusvika kumba ndakaona ambuya vachibvawo nekumukwidza vachikavhaira


haikona ndakangoti hameno kwaitei?

"Uyuwo Rue aka.........!!

End of chapter 18

To be added in WhatsApp grup inbox number above .

Stay tuned for the next chapter

Like our fb page Aka Heather stories for more stories and short stories .

Love you

NYEVERO

Chapter 19

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
*Uyuwo Rue akamhanya kuti atange kusvika pamba, akanoudza amai vake kuti
Nyevero adya mari yake ye school fees neshamwari dzake akabhadhara yake
chete*

Ndakazosara ndosvikawo pamba amai vaita kuvira nehasha ko ini ndaigozivei


hangu.

"Maswera sei amai?" Ndakatovasweresa ndakafara hangu.


Ndakagoti ndadenha mago, vakatanga kupopota havo vachihelele.

"Nhaiwe Nyevero ,ko zvawadya mari yemwana yeschool fees woda adzingwe?"
Unofunga here iwe mwana wa Rambwai kana kuti imvura yakazara mudzoro rako
umomo?"

"Amai Rue ariku........!!"


Handina kupedza kutaura ndagamwa na amai.

"Handidi kana kunzwa nhema dzako pano Nyevero, iwe ndiwe ucharega kuenda
kuchikoro mangwana chaiwo ndotoenda nereceipt kuchikoro inochinjwa zita.
Hameno iwe uchaiwanepi mari yekuti udzidze handiti wadya yako."

Ndakagoti mwari itai kuda kwenyu, chokwadi mai vaiteerera Rue pese pese
vachingomuti mwana anga akutoenderera Rue sehembe ikudambuka mupendero.
Asi kana iyewo Rue kudya here $20 yese? Kana kusiya hake change apa
nemagonero aaita aisatomboenderana nelevel remusikanzwa waaiita.

Takazonobisa hedu mauniform, ini kana mufaro ndanga ndisisina knowing kuti
handichaenda kuchikoro. Ndaive ndakutofunga kwekunoita maricho kuti ndiwane
$20 ye fees .

Tichibuda mubedroom mataichinja takawanawo ambuya vachisvika pachivanze,


zvakatondinetsa kuti vavingei? Hameno chachavasimudzawo kwavo kumba.
Takanogara zvedu paside paamai.
Chembere payakabva kumombe yakapinda muhozi ichida kutora tunzungu kuti
ikuye dovi iise mutsunga yayanga yabva nayo kugarden. Vakawana yave nzvimbo
kana saga raive nenzungu dzacho papasina. Ko vaigoriwona seiko iro rakanga
rakandwa pasi pehozi nasisi Rue. Pavakangoona nzungu pasina vakabva vamhanya
kufunga Rue sezvo ariye aive aswera pamba nemombe vasipo.

Vachisvika vakananga paive na Rue ,


"Iwe mwana wepfambi iwe, kasira kubuditsa bhaghidhi renzungu dzangu dzaiva
muhozi mangu."

Vaitaura vachimudhodhonya nechigunwe iye aive akapfava zvake kunge mombe


ikukamwa.

Rue akaona kuti ati ndiNyevero akaba aibatwa nhema dzake. Kakabwaira bwaira
kachifunga zvekuita.

"Aaah nhai ambuya mukuona ndiri size inotakura bhaghidhi here ini?
Hameno ndakaona mukoma Sean vachibudamo muhozi menyu, pamwe ndivo
vangatoziva nezve nzungu dzenyu kuti dzakaendepi."

Chembere payakanzwa zvaSean yakati tuzu zvino yonyara nyara nhema. Apa Sean
aibva kudunhu raive about 50km kubva kwaMabika uku, vakaona kuti hapana
zvavachaita havangatambisi nguva kuteera Sean pamwe aive ava fixerwo utsinye
hwavaimuitira. Chembere yakatendeuka yodzokera kumana kwayo.

Amai Nyevero vaive vari ziii zvavo panguva yese yaipopotwa navamwene vavo
pavakanga vakufamba vakasimuka vakudeedzera amwene vavo avo vaive
vatofamba nhanho
.
"Ko makaita basaka nhai amai, makatipa usavi. Iyy makaita zvenyu tombochovha
zvimazuva tichidya. Rue paakanzwa izvi akamhanya mu kitchen akaisa nyama
yese yaive yasara mu bucket kwakuvhara.

Chembere payakanzwa nyaya yenyama yakakanganwa zvenzungu, igodzoka


ichipesanisa dzondora dzayo.

"Wati usavi hupi nhaiwe Tambudzai?"

Musi uyu vakadeedza muroora nezita nekuda kwenyama chete. Chokwadi


vamwene vanodeedza muroora nezita makambozvionepi? Kusakwana uko."

Ukuwo mai Nyevero vakashaya kana remuromo ko handiti vaive vanzi takapiwa
nambuya? Havana kana chavakataura vakangoramba vati zii kunge vasina kunzwa
zvaive zvabvunzwa. Vakabva vatoziva kuti vana vavo vanga vanyepa chete.
Amwene vavo vakaona kuti it's too late ,vakanhenhaira vakananga mu kitchen
kunotsvaka nyama. Vakawana Rue akatogara zvake pa bucket rakanga aisa nyama
achitoverenga zvake book rake.

Vakagomagwedebudza mapoto hapana pakasara asi hapana chavakawana.


Vakabudamo vari mu speed vakananga paive namai Nyevero
vakasvikovadhodhonya pahuma,
"Iweeee iripi nyama yauri kutaura?"

Amai Nyevero vakatoona kuti vakada kupusa nyaya yacho havaibudi.

"Aiwa amai ndanga ndichitoita madimikira ini. Kuti chokwadi makapedza


mutumba wemombe iya mega kana kutipawo isu varidzi?"

Nxaaaaaa!!. Amwene vavo vakairidza tsamwa vasvotwa. Ko yenyama yaivabata


bata kani vakabva vapesanisa makumbo kwakurova pasi vakananga kumba kwavo.

Amai vakasara vakagoti nesu, "Nyama makaiwanepi nhai Nyevero? Makaipiwa


nani? Kasirai kutaura handidi zvangu vana vanokumbira kumaraini."
"Yakauya na Rue amai, ndakawana auya nayo pandakauya kukuonai kuchipatara
paya."
Apa ndakapindura ndakati handingarohwerwe isiri yangu zvekare. Iye Rue akabva
amhanya kutaura asati anhanhirwa na amai.

'Ndakaipiwa na mukoma Sean vachiti vanzi nambuya vagotipa."


Iye Sean aive atopinda basa rekunyeperwa, ko Rue aizivaka kuti Sean akaenda
hapana anozombomuteera kunobvunza . Amai vakazotituma kunotsvaka zvihuni
zvekubikisa manheru emusi uyu.

Ngatimboonai zviri paChivhu. Marwei zvaakaona Rambwai auya vaviga mwana


akaona kuti arambe achidiwa naRambwai, aifanira kupretender kuda kugara
kumusha. Uye zvazoitawo kuti mai Nyevero vaende zvachose.

"Dady ndafunga zvekumbogara kumusha zvangu, asi hure riya must go first
ndogara ini ndozogara in peace."

Hameno kuti vana Marwei what makes them think they will stay pabva umwe
nhai? Kana iwe wakwanisa kubvisa umwe iwe unotadza nei kuzobvawo? Shiri ine
muririro wayo hairegi nekuti yachembera or anything.

"Sure here sweety wangu? Haa nhasi ndopawataurawo zvine musoro kubva
zvandakakuziva. Ndafara at least mai Nyevero anobva abva pamba pangu for good
hameno achaendepi nezvivana zvake." Akadaro Rambwai achibata bata svusvura
ndadya yake iyi asingazivi kuti kwaingova kufadzwa nenhema.

Marwei chaaida kuti mai Nyevero varambwe chete vaende kuti kana akazonetsana
na Rambwai hapana kwanotiza achienda.

"Sure dady ngavabve vaende as soon as possible."

"OK mai mwana ndotodzokerako weekend iyoyi. This time ndonomupa gupuro
chairo kana asingadi kubva pamba pangu.
"Totoenda tese ba mwana kuti vaone kuti uri serious. Regai ndibike favourate food
yenyu imi muchigeza henyu."

Muzvere anombobika here veduwe? Kwaiva kuda kuisa mishonga yaakabva nayo
kwambuya godobori. Uyuwo Rambwai akangoenda hake kwaanga anzi aende
hake. Vaviri ava vanga vatokanganwa kuti vafirwa iwo mapudzi anowira kune
vasina hari chokwadi.

Joseph akaswera asina kana mufaro mumoyo make. Aingofunga amai Nyevero.
Asi kuti afone aitya sezvo anga asati ane dull information about her husband. Aitya
kufona odairwa nemurume wavo, aisada kurambisa munhu asi aida kutanga
azvionera pamhino sefodya sa Thomas.

Akazorovera moyo padombo akaenda pa WhatsApp kuti asende iri message,


akaona last seen yesterday. Akasenda sms yekuti, 'hi'.
Asi haina kuenda akazopedzisira afona. Foni yakaringa haina kudairwa.

Sezvo mai Nyevero vanga vasiya foni yavo padombo raive pamba pavo
yaingoringa isina akadaira. Ivo vaive vaende kugarden kwavo naNama kunotsvaka
havo ma vegetables.

Jose akaedza kufoni rwepiri ikaringa zvekare. Takabva kuhuni takawana amai
vasipo, ndakapinda mu kitchen kuvesa moto, Rue akasara hake panze.

Rue zvaakasara panze akaona foni yaamai vake ichiringa, akambofunga kuenda
nayo kuna Nyevero sezvo iye aisabvumirwa kudaira foni asi umwe moyo
wakamuti ingodaira kwanhasi chete. Foni yakasvika pakukata asina kudaira,
yakatanga zvekare kuringa akangoinhonga kwakudaira zvake musikana
wekungwara.

"Helo, ini ndini? Ruregerero Mabika."


Ko iko kuzotaura ne surname ayas.
Joze paakanzwa yadairwa nemwana akafara,
"Helo Rue my angel, ndiuncle Joze uchiri kundiziva here?"

"Yes uncle!! Ndiri bhoo mama havapo." Kakapindura Rue.

"OK Rue ko dady varipo here?"

"Dady ndiani?" Kakabvunza kedu Rue ko kudana kuti dady hakutombozikanwe.

"Ndikureva baba vako varipo here?" Akadaro Joze uku achidedera kuti kovakanzi
varipo? Aizotaura kutiii navo? Rue akakabva kapindurawo ipapo zvakashamisa
Joze.

"Aaah baba ha..........!!"

End of chapter 19

To be added in WhatsApp grup inbox number above.

Stay tuned for the next chapter

For more stories and short stories like Aka Heather stories fb page

NYEVERO

Chapter 20

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*"Aah baba havapo uye havachatidi vakati hatisi vana vavo"* Akapindura zvake
Rue akatosununguka. Ko aizivei zvake kuti atogonera mukoma Joseph.
"Okey my angel ko amai varipi?" Akadairawo Joze.

Sezvo Rue akanga awana amai vavo vasipo akangopindirawo saizvozvo kuti
aisaziva kuti vaenda kupi. Joze akakata hake nharembozha yake haana kuda
kuzobvunza zvakawanda. Uku kamoyo kakufara anga akuziva about Tambudzai's
husband.

Ndakabuda panze ndikawana sisi Rue vachibva kutaura pafoni yaamai.

"Nhai Rue wanga uchitaura nani pa foni yamhamha?"

"Na uncle Joze."

Akanga atopedza so mwana wamai vangu. Ndakangomusiyawo akadaro amai


pavakadzoka haana kana kutaura kuti uncle Joze vambofona.

Zvino ini ndakati zvekuzonyeperwa futi handichada.

"Amai hanzi uncle Joze vambofona na Rue."


Pandakataura izvi akavhunduka haikona Rue nekuti aiziva kuti haabvumidzwe
kutaura pafoni kubva zvaakambotuka headmaster vafonera amai about our school
fees.

Amai Nyevero vakatora foni yavo kwakutarisa kuma received calls, vakawana
chokwadi kuine unknown number same same neiya yekumbovasendera WhatsApp
message.

"Nhai Rue wazviitirei zvawaita?" Handina kukurambidza kudaira foni yangu


here?"
Mai Nyevero vakataura vatsamwa zvino. Iyewo Rue akasvotwa kuti Nyevero why
amutaurira.

"Nhai Nyevero hausiwe wataura na uncle Joze iwe? Usada kundinyepera wanzwa
hausiwe wanga uchiti waudza uncle Joze kuti baba vakatiramba?
Ndakashamisika nezvaitaurwa na Rue ,what kind of a sister was she? How can she
lie like that? Nehasha ndakasimuka ndikamudzemura zimbama what she says was
not called for. Ndakanga ndamuregerera zvakawanda. Kana iye akanga asina
kutarisira mbama yakadaro from me.

"Why uchindinyepera all the time nhai iwe Rue? What have I done to you as a
sister? I protect you enough ndichisuffer pazviito zvako." Akanga angoti tuzu Rue
akanga akuona the other side of me aiwa aive anyanya kuenderera.

"Imi handisi kuda kutambisirwa nguva pano, ndiani adaira......!!"

Amai havana kupedza kutaura zvavaida kubvunza nharembozha yavo yakabva


yarira.

"Hello!!"
Amai Nyevero vakadaira nharembozha yavo vachienda panze, vaida
kunyatsotukirira Joze pasina ainzwa.

Iniwo ndakasara ndiksmhonya Ruu nzeve. Ndaida kuti asanditaure zvisizvo futi.
Ndakange ndamukanganwa semuninina. Ndakabva ndamurovera musoro
kumadziro. Ndakange ndichitaura ndichiti,
"I'm your sister iwe. Sei uchindidaro? Unoona kunyarara ukati ndikapusa hanty?
Kubva nhasi uchaziva kuti ndiri sisi vako."
Ndakamurova zvekuti.

"Hello Tambu how are you?"


Akadairawo Joze anzwa izwi ramai Nyevero kuti ndovadaira.

"Nhaiwe Joze or baba who ever you call yourself, woda ndikuudze sei kuti
usataura neni? Woda kundirambisa here nemurume wangu nhai? Kubva nhasi
usandifonere zvekare wanzwa? Iye akambokupa number yangu ndiani? Go to hell
Joseph wanzwaka? Nxaa ane nhamo chaizvo iye anozviti mukadzi wako iyeye,
leave me alone and in peace please!!"

Vakapopota haikona mai Nyevero ,uku Joze aive akangoteerera zvake vakati
vakuda kukata ndobva vanzwa, "Tambu iwewe murume wako akakuramba zvese
nevana and as for my wife, I'm not married."

"Ndiani akakudza kuti ndakarambwa? Ini Tambudzai kurambwa? Yowee inga


unondishurira nhaiwe."
Vakataura zvavo kudaro mai Nyevero asi hana yavo yaive yorova uye vaive vane
mumbvunzo kuti ndiani aive audza Joze about her husband ?

"Handiti ndambofona here nhai Tambudzai?" Ndataura naRuregerero ndiye


andiudza zvese zvandanga ndichida kunzwa. I love you Tambudzai, and I'm not
taking your advantage. Just give me a chance to prove to you how much I love
you. Handiti unoziva ndaikuda from childhood? I still love you Tambu and ......!

Haana kuzopedzisa Tambu wacho akata nharembozha yake. Amai Nyevero


vakambogara pasi vakatanga kuchema her life was a mess . No parents no husband
no money, what kind of a life is this? Vakatanga kufunga pavaipfimbwa na Joze
vachiramba, vakafunga pavaidanana naRambwai rudo ruchapisa nepavava now
vakarwadziwa vakazvishora.

Pandakaona amai vanonoka kudzoka mumba ndakabuda panze kuti ndivatarise, to


my surprise ndakawana amai vakagara pamadziro ebedroom ravo vachisvimha
misodzi.

"Amai maitwa sei? Pane kwafiwa here mhamha?" Ndakabvunza amai vangu
ndarwadziwa nemachemero avaiita.
Zvairatidza kuti pane zvaivarwadza mumoyo mavo. Amai havana chavakataura asi
vakangosimuka vakandimbundira ndokunditi tibike tozovamutsa kana tapedza ivo
ndokunanga kuimba yavo yekurara.

Pandakasvika mu kitchen ndakabvunza Rue kuti aive audza uncle Joze kutii? Rue
akangoti hapana, asi ndakazvi feeler kuti kuchema kwaamai have something to do
with uncle Joze nekuti ndakatarisa last received call yamhamha it was the same
number yakadairwa na Rue.

Amai Nyevero vaisada kunorara asi vaida kunochema nhamo dzavo, vakatanga
kufunga how will her children think if she get married again. Ko iye Joze wacho
akasazoda vana vavo?

Vakatanga kufunga zvakanga zvasiya zvataurwa na Rambwai kuti aida kuwana


vabva pamba pake. Ko kana Rambwai akauya kugara nemukadzi wake wepiri
pano ndoendepi? Handina kana vaberekiwo zvangu what will I do?
Vakashushikana vakachema misodzi ikasvika pakuoma.

Ndakapedza hangu kubika ndakatuma Rue kunomutsa amai kuti tidye. Amai
vakadungamidzana naRue ndakanamata tikadya hedu. Asi amai ndakaona kuti
vaisadya ,vakangonyobvora nyobvora kwakutosiya ndokudzokera ku bedroom
kwavo kunorara.

Ndakapedza kudya kwaku cleaner tikateerawo kunorara musi uyu hatina kana
kumbotandara, Rue wo aive akatsamwa ne mbama nekumuzvindikita kwandaive
ndamuita.

Hope hadzina kuuya kwandiri knowing kuti handichaenda kuchikoro.


Ndakazotobatwa nehope nguva dzatoenda.

Joze haana kurara achifunga way forward yekuti adiwe naTambudzai.


Akazobatwawo ne hope pasina kana chaaive aronga.
Ndakamukobata jongwe muromo ndichiita hangu basa, ndaiti pamwe amai
vachamuka vachinja moyo izvo ndaizvinyepera. Amai vakamuka vakaenda naRue
kuchikoro kunoita zvavaive vataura. Ndakasara hangu naNama ndichifunga
kwekunoita maricho .

Amai vakazodzoka nguva dzatofamba vakati vane zvavaida kundiudza.


Takanogara hedu pamumvuri kuti nditeerere zvaida kutaurwa na amai ndakaona
kuti vane zvaivanetsa.

"Nyevero mwanangu tomboti tadzingwa pano na baba vako sekutaura kwavakaita,


will you accept another person as your father?".

Ndakamboramba zvangu ndakanyarara ndichinyatsofunga. Asi why amai


vandibvunza such question? But to be honest I would love to have a ether father
than my father. But will that person accept us as his daughters? Ndakapererwa
ndakashaya kana zvekutaura.

"Why mabvunza nhai mhamha? Baba havachatida asi pano havambotidzinga


musambotya amai." Ndakadaro ndaona kuti amai vangu vaifunga zvakadzama.

"Ndangobvunza hangu mwanangu ndoda kuziva kuti ndikadzingwa pano


munobvuma here kugara nevamwe baba vasiri venyu?".
Vakapindura amai .

"Amai isu ti. .....!!".

"Tisvikewo pano". Handina kuzopedzisa kutaura zvandaida kutaura pamusoro


penyaya yayataurwa naamai, amai Sharon vakabva vasvikawo pamba vanga vauya
kuzoona havo amai. Ndakavakwazisa ndikasiya vaviri vakagara pamumvuri
vachikurukura havo.

"Asikana ndati ndimbouya hangu kutandara kuno, ko kuzenge wakaneta neta nhai
mai Nyevero chii?" Vakadaro mai Sharon vachibvunza sahwira wavo.
"Ndaneta zvangu shamwari ndanga ndaenda kuchikoro kwana Rue uko ,unoziva
kure sei. Urisei zvako sahwira?"

"Ndiri bho shamwari,ndauya pano kuzonyatsokubvunza iwe about that Joze guy.
Who is he? Matarisiro aaikuita tell me shamwari what's going on? Paya
wakazviwanira paya kana vana baba Sharon vari joni uko havasviki paya
ndovanonzi varumeka vaya, kwete zvana Rambwai vakanyorwa pama toilet nxaaa.
Tell me my friend what's going on with that man?"
Vakadaro mai Sharon, nyaya vaidzidawo ko iko kuzoshora wavo murume nekuti
vaive vaona iko ka Range rover kaJoze. Kubva dai vaive ivo mai Nyevero dai
vakatobvuma zve kana vana vaivasiya vega type yacho bodo.

Amai Nyevero vakatanga vaseka zvavo chero zvazvo vaive vasina setswa.
"Shamwari uya ingori old friend nothing more."
Vakapindura mai Nyevero asi umwe moyo waiti udza mai Sharon chokwadi
pamwe vanokupawo zano.

"Hooo, kubva zvakanaka shamwari. Ko iye Rambwai arikutiiko asikana?"

"Aah zvevarume here shamwari achadzoka zvake kana apedza mafaro. Ko


ndingamudiii hangu kungotarisawo."
Vakapindura mai Nyevero . Amai Sharon vakabva vazongogara gara kwakuoneka
voenda zvavo.

Pandakaona amai na Nama vakuperekedza mai Sharon ndakavhara ma doors


kwakumhanya ndakananga kwa mai Nokutenda.

Ndakanga ndafunga kunotsvaka maricho kuti yeschool fees ibude, sezvo ndaive
ndapedo nekunyora ma exam egrade 7 ndaisada kurega kunyorawo nevamwe.
Ndakasvika ndikawana pamba pamai Nokutenda painemukomana wavo webasa
,akati mai Noku vaive kuHarare. Ndakabatikana nekuti she was my last hope.
Ndakaoneka kwakudzokera hangu kumba kwamai vangu.

Ndichisvika I get the shock of my life ,ndakawana. ........!!

End of chapter 20

To be added in WhatsApp grup inbox number above

Let's meet in chapter 21 soon

Thank you all for supporting me .

Like our fb page Aka Heather stories for more stories and short stories .

NYEVERO

Chapter 21

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

Ndichisvika kumba I get the shock of my life, Rue aive awira mugomba raive
pamba rakanga racherwa pataida kuvakisa toilet, sezvo yaive nguva yezhizha
manga muine mvura. Apa musoro ndowega waiwoneka akanga ochema zvino,
kana kuti ndifunge kuti aive aendapo achidei zvakatondinetsa.

Ndakamhanya kunutsvaka tambo yataimbosungirira dhongi nayo ndikauya


ndokuikanda mumvura muya kuti abate, paakada kufambisa ruoko mvura
yakatangawo ku mover akatanga kumwa zvi cup zvemvura. Ndakatanga kuchema
yes Rue ainditadzira asi ndaimuda semwana wamai vangu. Akatadza kubata tambo
iya, zvicup aive anzwa nazvo. Ndakati mwana wamai zvaakutofa ndakatarisa.
Akatanga kuburitsa maoko chete sezviya zvoita munhu akunyura.

Ndakajambira mugomba muya ndokusvikotsika pasi. Ndakati shambire shambire


ndichibuda. Ndakasangana naRuu ndichiri pasi iye achidzikawo. Ndakamubata
neruoko rumwe ndobuda naye. Akanga asisina simba. Ndakabuda naye
ndokuradzika pasi angoti tuzu. Ndakati ndiko kufa kwacho here uku nhai mwari?

Amai Nyevero zvavaperekedza mai Sharon vakadzoka vachinonga zvavo


madzodzotso ekubikisa. Hana yavo yairova zvikurusa, zvakaita vasiye madzotso
avaitsvaka vakaenda kumba vachifambisa Nama vakatoita wekubereka.

Pandakanzwa izwi raamai vachitaura naNama, ndakabva ndashevedzera 'Help


help!' Amai vakamhanya ndokuzvikoona tose naRuu takazara mvura.

Amai vakangosvikopfugama pedyo naRuu.


Anga amwa mvura yakawandisa, amai hameno zvavakaita Rue akarutsa mvura
yoga yoga.

Ndakamhanya kubika porridge ndaingonzwa kuti murwere anoda porridge,


akaidya ndopaakazotanga kubengenuka.

"Nhai Rue wauchitsvakei kugomba ikoko? Woda kundiitirei nhai Ruregerero?"


Amai vakabvunza Rue apa vaive vaita kuzarirwa nehasha. Thank God zvakaitika
ndisipo Rue aigona kuzoti ndini ndamuwidzamo.

Shasha haina zvayakapindura asi kungobwaira bwaira tumaziso twainge tweshiri.

Rue anotanga kufunga utsinye hwaaiitira Nyevero,nerudo rwaakaona


paakabuditswa na Nyevero. Moyo wake unorwadza otanga kuchema.

Ndakaona mwana wamai vangu akusvimha misodzi ndakashaya kuti ko chava chii
zvekare?
"Rue did anyone hurt you at school?" Ndakabvunza ndakutoshushikanawo kuti
pamwe ane zvaaive aitwa kuchikoro.

Rue hapana zvaaive aitwa zvake asi nemusikanzwa yake paakawana pamba pasina
vanhu akaenda pagomba ipapo achida kutoshanja zvake, akatadza kutsika
kwakuwira zvekuti dai Nyevero akanonoka dai akafiramo.

"I'm sorry Nyevero pane zvose zvakaipa zvandokunyepera. I promise to be a good


girl from now on. Please ndiregererewo!"

Ndakanzwa tsitsi atleast she apologise, ndakamumbundira.

"It's oketly Rue, I'm your sister that's why ndisingakutsamwiri handiti? But
promise me to be a good child from now on?"

"Yes I promise !!" Ndakaona kana amai vakashamisika kuti Rue aindinyepera and
I never bother to tell her the truth. Takazombundirana tese tiri 4 takufara hedu, ini
nhamo yekuti handina mari yeschool fees ndiyo yaingondibaya.

Amai vakabatikana nezvavaive vandiita vakanotora $15 yakanga yasara pamari


yavaive vatipa vakati ndinosanobhadhara school fees. Ndakaonawo Rue
akusumuka akauya ne $5 akati ndoyayasara pamari yakanga adya. Ndakafara
veduwee kuti ndakudzokerazve kuchikoro.

Takazobika zvedu tiine mufaro mumba medu. Takapedza ndokunorara zvedu musi
uyu takaita poweful prayer yekutenda musiki nezvaaitiitira.

Friday ndakamukobata jongwe muromo kugadzirira kuenda kuchikoro ,


ndakashamisika amai vachimukawo makuseni akadaro.

"Mamuka sei amai ko mafungepi nhasi kwamamuka usiku huno?"


Ndakabvunza amai.

"Ndamuka mwanangu, dakunotanga ndima iya kwavaMutema achimakuseni kudai


saka tichatobuda tese."
Moyo wangu wakarwadza kuti chokwadi amai voenda vega kunosakura.

"Ko madii marega tazomukira tese mangwana nhai mhamha?"

"Aiwa mwanangu rega ndoitanga nhasi weekend tozopedzisa".

Ndakarwadziwa and I decided not to go to school that day sezvo ndandidisina


kunyatsoenda kuchikoro week iri. Ndakati ndozongoenda week raiteera.

Amai vakanzwisisa, kana Rue akati aidawo kunobatsira kusakura. Takaenda zvedu
kunobata basa sebasa kwavaMutema kuya . Hatina kana kupiwa mvura zvayo
yekumwa , taitonomwa yemurwizi ko handiti mvura haina n'anga here .

Takairova ndima zuva rakazosara rovira tadarika pakati pegandiwa, zvekuti next
day taipedzisa zvedu.

Muchembere akaswera ainadzo dzemuswe, akazopfigira kuma 3 sezvo anga anzi


auye kuHarare nemurume vaida kunotsvaka anosara nemombe vaisada kutaura kuti
Sean akarova pasi. Chembere yakaenda kwayanga yanzwa kuti kune arikuda basa,
luck was on her side vakadzoka vadungamidzana nemukomana webasa.

Rambwai na marwei vakaronga kuzomuka vakananga kumusha kunodzinga mai


Nyevero nevana vavo .

Takasvika kumba zuva ratodoka, amai vakabika tichitaura hedu nyaya. Takudya
foni yamai yakaringa, vakaikata kanenge ka5. Ndakatomboda kuvabvunza why
vaisadaira foni? Pamwe ndibaba vaifona hameno.

Joze akanga asisina mufaro, amai vake vaifona vachida kunzwa about her daughter
inlaw. Uku iye anga asati adiwa. He tried to call Tambu asi foni yaingokatwa
akazongosiyana nazvo ndokunorara zvake.

Musi uyu takatandara kusvika kuma2200 takazonorara zvedu . Amai Nyevero hope
hadzina kuuya. Vakatanga kunyatsofunga about her life. Where is my father? Why
am I suffering like this? Will this end? Vakazvibvunza zvakawanda asi pasina
aipindura. Vakafungazve nezva Joze, amai Nyevero vakaona kuti pamwe Joze aive
pachokwadi asi zvaisaita kuroorwa munhu ane vana vatatu. Ko vabereki va Joze
vakandiramba ndozodii? Ko iye Joze haazodi mwana here? Nekuti ini ndakanzi
handichazvari saka angangoda kuchengeta vana vangu pasina kana wake?
Vakazvitongesa zvakawanda asi mhinduro hapana kwayaibva only God can
answer some of our questions, but sometimes mhinduro yamwari inoita
seyanonoka asi remember God is always on time he will never be late.

Ndakarota tichiita setaigara mubako, asi tazopedzisira takugara mumassion. Hope


idzi ndakadzirota kaviri musi uyu uye ndakashaya zvadzaireva. Ndakazotopepuka
amai vandimutsa kuti tigadzirire kuenda kundima yedu. Handina kumboda kuudza
amai hope dzangu I just pray about it .

Tichisvika kwavaMutema vaive vakaisa muromo mumhino kwete kutamba.


Vakagoti vapopota hanzi maisakura muchisiirira sora,zvakangooma hazvo
murombo haarovi chine nguwo chokwadi.

Amai vakapindura vakati taizodzokorora tapedza . Takarova hedu basa sebasa


kuma 3 tapedza takudzokorora paive panzi tasirira. Kuma 5 tatapedza takanoudza
muridzi wemunda kuti auye aone. Takawana vasipo paine mukadzi wacho
akangotiti maita basa. Akatipa $5 yethank you chokwadi aive nemoyo wakanaka
kwete murume wake bodo. Takaoneka toenda zvedu kumba. Munzira tatatemha
derere riya remasora.

Tichisvika kumba takawana ari manyama amire nerongo zva..........!!!

End of chapter 21

To be added in WhatsApp grup inbox number above

Stay tuned for the next chapter soon

Like our fb page Aka Heather stories for more stories and short stories
Love you all happy reading!!

NYEVERO

Chapter 22

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Tichisvika kumba takawana ari manyama amire nerongo zvaive zvakaita


paruvanze soo ka, kese kanonzi kedu kaive panze kusanganisira nemaplates
zvawo. Kabhoki kaitova busy kubanda mabhonzo.*

Rambwai naMarwei wake vakabva kuChivhu kuma1 sezvo Rambwai aiita half day
maSartadays. Akanga apiwa pressure na nepfambi yake uye marwei aive ati
haatosari anoendawo to make sure maiNyevero vaenda. Rambwai umwe moyo
wairwadza kuti ko vana vake vaizoita sei? Asi nemushonga waaidyiswa nefoshoro
hapana chaizokwanisa kupikisa.

Vakaitawo lucky kwakuwana kalift kaisvika kumashops ekwavo, vakasvika


pamusha pake kuma 3. Sezvo maiNyevero vaive vaenda nevana vavo vese
kwavaMutema, shasha dzakaita madiro.

Vakagoburitsa kese kainzi ka maiNyevero nevana vavo panze. Ko Rambwai


handiti aivewo ne spare keys dzepamba? Saka hazvina kuvanetsa. Vakaburitsa
twese kusiya kwemubhedha uyo Rambwai akati ndewake. Vapedza vakasiya
vakiya nema key matsva avanga vauya nawo ivo kwakurova road vakananga kwa
mai vacho kunotauraka good news.
Zvatakawona izvi zvaitopedza simba. Asi ndakaita mubvunzo. Ndiani angaita
zvakadai? Kuti ndimbuya? Umhh kana varivo vakuzoda kuyambuka gungwa
ravasina kupatsanura saPharaoh manje. How could she do this to us? Vanoda tigare
pai nhai?

"Mhamha ko zhinhu zhedu zhaiswa nani panze apa? Asi moda kudzura mumba
here mhamha tinonhonga ndove handitika?"

Ndi Nama kaibvunza amai, ko aiziveiko taidzura hedu mumba ne ndove asi kwete
zvekuburitsaka zvinhu panze plus hatisisu tataburitsa.

Amai vakanga vakungochema vakamira pasi pemuti, chakandinetsa pama door ese
panga paiswa ma keys matsva edu aivepo anga akatokandwa pasi.

Amai Nyevero mashoko aya akataurwa na Rambwai akadzoka mupfungwa dzavo,


"NDODA KUWAWANA WABVA PAMBA PANGU PANO NEVANA
VAKO."
Saka zvoreva kuti ndi Rambwai here aita izvi? Rambwai chaiye ane chokwadi here
ndakamutadzirei ini? Vakademba vadembazve asi wekudembera panga pasina
vaitowedzera kushungurudza vana vavo.

Ndakasimuka pandaive nehasha ndakananga nenzira yekwa mbuya, kana varivo


vaita izvi nhasi ndonovaudza chakatadzisa imbwa kuseka iyo ichigona kunyenama.
Ndichingoti nhanho shanu ndakaona haikona baba varikuuya vakatoberekana
nemukwende wema bag, haikona uku madam vavo vari padivi.
Ndakangomira paya ndakaita statue chaiyo, I cursed my father that day.

Rambwai zvaakasvika kwa amai vake akasvikoudzwa kuti vaive vaenda


kudhorobha guru kunoona murume wavo. Akapinda mu room maigara zvinhu
zvake kwakutora ma blankets ndokurongedza muma changani bag,vakabika
ndokudya uko vaizonorara chete.
"Ko nhai sweet pie tadiii tasiira mai Nyevero nevana kitchen hona zvakaita denga
vanorara pai nhasi?"
Ndi Rambwai uyo aibvunza madam .

"Dady handiti hamuchavada here? Saka mukavasiira kitchen vanotozofunga muri


kuvada ka vanoona zvekuita semunhu mukuru. One more thing dady mupe muroyi
uyu gupuro nhasi chaiye, tambirai $1 iri mugovapa you know type yacho kana
asina kupiwa gupuro haabvumi kurambwa."

Akatsinhira marwei, moyo wake wanga wakatooma kunge dombo. Ko iko kuda
kugara imba yeumwe mukadzi? Itai matyira madzimai imba yeumwe mukadzi
haisi yako.

Ko iwe munhu wadireiko kudiridza dzinde rako rerugare nemisodzi yeumwe


mukadzi? Regai zvichinzi mhandu yemukadzi mukadzi.

Rambwai akazongobvumira ko aigodiiko iwo mushonga waishanda. Vakasvika


paive naNyevero marwei akaridza zitsamwa achidarika kwakupesvaira akananga
kunokinura pabedroom kunge pake.

Vakapfuura nepandaive ndakamira vaviri ava, ndakapotsa ndatsikwa namadam ko


iyo tsamwa yavakarova? Ndaive ndisati ndakura zvangu zvekuziva zvakawanda asi
mainini ava vaive nebehaviour yechi hure hure chaiyo. Munhu wepi asinganyare
nxaa? Ndakadzokera hangu kwakunogara paive naamai takamirira kunzwa saimba
sezvo vaive vauya.

Baba vakaita dzinenge 30min varimo mu bedroom namainini. Vakatozobuda


kwakutosviba vakadungamidzana namainini apa chando zvachaiita?

"Makadii henyu Mhazi?"


Amai vakakwazisa baba asi ivo vakaramba vari ziii kunge vanga vaiswa zip
pamuromo. Isu takazongokwazisawo zvezita rekuti takwazisawo baba asi havana
zvavo kudaira.

Uhmmm!! Shasha yakatanga yanyatsosuka pahuro kwakuzoti,


"Mai Nyevero uchiona ndauya kudai ini handichadi nezvako, ndave nemukadzi
wangu mutsva uyu achandiitira vanakomana saka iwe $1 iri tora ndogupuro
randakupa iri."

Akaenderera mberi oti,


"Dzimba idzi dzakavakwa nemari yangu saka dzava dzangu, iwe neni Tambu
nezvivana zvako tagura ukama nhasi chaiye, and izvozvi."

Aiita manyawi akabatwa bendekete naMarwei uyo aingonyenema kunge hure


raona foundation yebhawa. Rambwai achipedza kutaura haana kumbomirira
kunzwa mashoko aida kutaurwawo nemhuri yake, akatendeuka kwakutonorara
zvake nemukadzi wake.

Ndaisaziva kuti munhu anorambwa pamwe nevana ka ini. Ndaisingonzwa kuti mai
nhingi vaya vakapiwa gupuro ne murume wavo. Musi uyu ndakazvionera pamhino
sefodya. Amai vakachema zvaisiririsa, ndakabatikana kusvika pekupedzisira. Saka
zvatadzingwa togarepi manje kwa sabhuku zvakwakaberekera ngwena tainoudza
ani nhamo yedu?

Ndakafunga hope dziya ndomadhaka ka aya nhai mwari? Saka are we going to live
mubako nhai mwari? Pakadai unofunga kuti mwari vakusiya asi Mwari vanenge
vainewe all the way.

Ndakanyararidza amai,
"Mhamha musachema ngatizviisei kuna mwari, his plans are for good not for evil
says the bible in Jeremiah. Kana ivo mwari vati tichagara panze so be it mom we
can't do anything now."
Amai vakazonyarara uku sisi Nama vaive vochema nzara. Ko taive taswerera
mutakura ini zvangu kana nzara yacho ndandandisisina. I hurt my father from that
day why vakatiunza panyika? Mwana mukomana anodyiwa nyama here? Inga
vasikana vakatove nani vanoroorwa wodya pfuma?

Ndakazoisa mapfihwa kwakuvesa moto, ndakanotsvadzvadzira zvimubora paseri


pemba kwakubika. Rue naNama ndovakadya sadza, amai vakaramba
haraimbodzika chokwadi.

Takambogara hedu pamoto pasina aitaura neumwe. Pasina nguva kunze


kwakatanga kupfira pfira apa mabhanan'ana akwaita? Kwairatidza kuti kukuya
heavy rain chaiyo uku baba namarwei vaiita kupwipwinyika haikona varimo
mubedroom.

Joze akaswera asina kana mufaro. Joze aive munhu anonamata zvembiri aiendawo
kuchurch pano neapo, pamwe dai ainamatawo pamwe zvaisamunetsa. Akafunga
kufonera baba vake kuti avaudze about the lady he want to marry. Aida kuonawo
mafungiro avo .

Nharembozha yababa vake yakangoringa kamwechete kwakutodairwa. Akatanga


aseka zvake baba vake nekukasira kudaira foni kwavanga vaita, kuita sevanga
vakatoisa chigunwe paanswer button. Kune vanozviitaka pano ndakubatai.

"Dad muchiona ndafona kudai ndine kanyaya."


Akataura Joze uku achitya mhinduro yaaizopiwa.

"Taurai Mhazi iri munzeve." Vakapindura vachitenderera zvavo pa chair yaive mu


office yepamba pavo.

"You remember I told you ndakuda kuroora handiti? Uhmmm!!" Shasha


yakambomira ichigadzirisa inzwi, baba vacho vavakangoisa foni panzeve.

"Dad ini munhu wandoda kuroora ane vana vake vatatu. Ndomuda zvakadaro dad
atleast she won't cheat me she is a decent woman. Can you accept her dad?"
Baba Va Joze vakamboramba vakanyarara zvekuti akatombofunga kuti vakata.
Vakazopindura zvavo after a long thought.

"Mwanangu zvawataura ndazvinzwa and I will support you on that kana iwe
nemunhu wako muchidanana hapana chakashata mwanangu. Asi iye mukadzi uyu
murume wake aripi uye haazokunetsi here?"

Joze akaona kuti akasanyepa apa haagwazi, ko rume risinganyepi hariroorezve


nhai.

"Mukadzi uyu vakasiyana dad. Murume ave nemumwe mukadzi."

Shasha yakapindura,asi isina chokwadi nazvo. Akamboda kuti ati murume akafa
asi akazofunga kuti baba vevana vanozouya voda vana vavo, zvikazoshoresa
Tambu nababa vake achinzi anonyepa.

"Kana zvakadaro zvakanaka mwanangu, kana imi madanana I will support you all
the way. Asi amai vako unovaziva imbomira kuvaudza izvi ndichataura navo
inini."

"Zvakanakai dad muve nezuva rakanaka."


Akabva akata foni mukomana.

Nhamo yayasara yekudiwa namai Nyevero. How may I win Tambu's heart now?
Shasha yakarara nemanhede yofunga zano.

Mbuya Nyevero zvavakasvika kumurume wavo vakati zvese kumba zviri right.
Zvekuti munda wakadyiwa havana kana kuzviti bufu kana zvekuuraya mombe
yemuroora havana kuzvitaura.

Vakangotaura zva Sean kuti akaenda sezvo mari yake ye pay yaiiswa paecocash,
vaiitira kuti asazoisirwa mari.

Takangosiya zvinhu zvakadaro panze paya kwakutakura magumbeze chete


tomhanya kugomo, sezvo taigara pedyo negomo. Takamhanya zvedu asi mvura
yakatanga kupurana kwete kutamba takazosara tosvika pagomo tadhabhadhika
nemvura.

Takakwira mugomo muya ndoku mira pasi perimwe zidombo paisanayisa


,takatogadzirira kurara ipapo.

Takarova strong prayer yedu ipapo kwakurara, apa ini matyiro andaisiita kurara
kumacheto asi musi uyu kutya kwese kwakapera. Nama aingobvunza mubvunzo
yaisapera, zvakamunetsawo mwana kurara mugomo imba iripo chokwadi. Dai
vakangotinzwirawo tsitsi takarara hedu mukitchen.

Takati papakati pahwo mvura yakanga yazogasa, taka...........!!

End of chapter 22

To be added in WhatsApp grup inbox number above .

NYEVERO

Chapter 23

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Takati papakati pahwo mvura yayachigasa zvino takanzwa mutsindo kuseri


kwedombo zvairatidza kuti parikupfuura nemhuka huru.*

Ini wekutya ndakanga ndongobvunda kunge katsanga kari mumvura, ava vasikana
vaviri vaitodzipfodora dzeumambo. Chokwadi kuvawo mwana wedangwe
kwakangooma, ndakaona mai vakutisvededza padhuze pamwe vanga voti ndofa
nevana vangu hameno. Chinhu chiya chakaita sechakuuya nekwataiva ndakaita
short prayer mumoyo pfungwa idzodzo ndotoshaya dzakabvepi.

"Mwari baba Ini mwana wenyu ndauya pamberi penyu nguva ino nevana vamai
vangu naamai vangu. Mwari tirwei kuzvikara zvesango rino, Mwari moda vavengi
vedu vafare here tikatsakatira pano. Asi kana matonga henyu Mwari itaiwo
tigogara kudenga nemi nekusingaperi.
Amen."

Pandaita Amen was suprised amai vachiitawo Amen ndofunga vanga vaitawo last
prayer hameno. Sezvo kwaive nemhindo waisaona chinhu chero chiri pedyo newe,
ndakanzwa kutsikwa nezigumbo rairatidza kuti pane zvemutumba hama dzangu.
Ndakaudzvura maziso kuti mwari ndakutodyiwa here pano? Ndakamboti pamwe
ndibaba vateeera? Ndichiri kufunga kudaro yakadzvova zvayo shumba zviya
zvainoita pama movie kana yawana chekudya. Ndakatoti shumba yakutonanata iyi
kuti idye zvayo.

Chakandinetsa mudunhu medu maisava neshumba, dzaitouya kubva kugomo


reGombe asi raive chinhanho nekwedu. Pamwe yanga yatovinga isu, yakaruma jira
ratatakafuka ndokukanda kwakadaro. Pakaita lightning yandisingazivi kana
nanhasi kuti was it from God to save us or what?

Ndakaona shumba yakumhanya ichibva pataive hameno chachaonekwa pakaita


light. Ndakati mwari maita henyu , amai vakatora jira rarabiswa riya vakatifukidza.
Vasikana vairi havana kana chavakaona zvavo. Ini kana hope handina
kuzodziwana musi uyu, ndaingofunga kuti inodzoka chete shumba iyi.
Kuti timuke tiende zvaisaita taiendepi pakati pehusiku? Kukwira mumuti kwaisaita
ko Nama aiita sei? Ndakabvunza mwari mibvunzo yakawandisa zuva iri.

Amai Nyevero havana kuzombowana hope, idzo pfungwa dzikati huya titambe
tese. Dzimwe dzaiti ukumborambirei Joze nhaiwe Tambu? Ukutokava
makomborero negumbo rine shenha? Imwe pfungwa yoti varume vakafanana
Tambu Joze uyu anongokushandisa okusiya. Ko ivo vana vako anozovada here
Joze iyeyu? Vakatambura mai Nyevero kusvika vapa conclusion yekuchengeta
vana vavo vega. nhamo yanga yave yekutsvaka pekugara.

Vakafunga kumukira kunotsvaka basa kuGombe rekuchengeta pamba pemunhu


vachiwana havo pekuisa musoro uye vana vachienda havo kuchikoro. Vosiyana
naRambwai ivo pfungwa yavo vaiti Rambwai achadzoka hake kumhuri yake.

Ndakatozobatwa nehope kwoyedza kunenge kwakwatova kuma5 nekuti kwaive


kwakutooneka kuchenerera kunze,ndakapeputswa ndanzwa kutonhorerwa
kumusana kwangu. Ndakati zvimwe jira radhonzwa izvo kwaani, pandakati tendeu
kuti ndigadzirise jira ndakaona haikona rino zinyoka rakazvimbirwa zvaro rakaita
kuungana kuseri kwangu. Mhere yandakaridza ndichimuka ipapo, kana vana Rue
vakabva vapepuka.

Amai vakangosimudza Nama Ini na Rue tatatomira kure, takangotora jira rekufuka
ratatakawarira takasiyapo iyo nyoka iya kana kutsudunuka. Hameno yange
yadyepi. Amai vakazoti tatodzaka mugomo,

"NdoRovambira iya vanangu."

"Mwari vatirangarira amai taponeswa ku shumba neRovambira muzuva ranhasi, it


means God still need us to be on this earth."
Ndakapindura amai, Rue akashamisika kunzwa izvi ko haana chaanga aonazve
mwana wamai vangu zvakatoita nebvepfe rake Rue pamwe dai takadyiwa
neshumba dai akaiona.

Rambwai zuva iri akarota akapfeka mamvemve zvawo zvakamunetsa kuti


zvikurevei? Nemari yaaitambira aaah mamvemve aizobvepi? Akati I hope
dzekutonhorwa kana kumbofunga kuti vana vari pai? Murume anoramba vana here
or mukadzi nhai varume? Mushonga wacho waishanda zvakaoma. Asi chondinetsa
varume zvavanomboita soo ka aah hameno maybe ndo nature yacho.

Marwei aifara haikona kutamba, ko big obstacle yayabvazve. Anga akufunga plan
B nekuti iye zvekugara kumusha aisada zvachose ndo zvakatoita atize murume
kwaanga akaroorwa.

Marwei kumba kwavo paive pabarika iye ari mwana we second wife. Kumba
kwavo kwaive nenhamo yairidza muridzo kuti ndiri pano, akanga asina kana
kuenda ku grade zero ndozvakaita akasire kurorwa nekuti vabereki vaingoda
chekudya. Akazotiza murume anzi gara kumusha sezvo aive 2nd best 1st wife
ndoyayogara Harare. Kumusha kwemurume wacho kwaive ku Nharira saka
vaipota vachinotenga grocery ku Chivhu. Ndipo paakazosanganaka na Rambwai
sezvo anga asati ane mwana nemurume wake akanyepera wedu wekudzungaira
Rambwai ndokudanana kusvika atizira. Apa she was only 20 tsvee kudzidza
takarasima ne varume vevanhu.

Plan B akafunga kumbosara pamba Rambwai odzokera kubasa. Anga afunga


kudeedza mai vake vouya vogara pamusha iye oenda kumurume kutown. Ko
handiti aimupa nefoshoro here Rambwai aingobvuma.

Takasvika paruvanze zvinhu zvakaita kutota, hembe idzir upfu uhu. Ndakangotora
hembe dzeku church kwakuzunza zunza nekumboisa pa wire kuti dzirohwe
nemhepo tiwane kupfeka. Sezvo tatapiwa $5 na maiMutema amai vakatuma Rue
kunotenga chingwa tikabika tea kwakumwa.

"Mhamha tozouya torongedza zvinhu tabva ku church ,handei torumbidza mwari


iyezvino tipe mwari nguva yavo tozouya toona ma problem aya." Ndakataura
ndakutonhonga bucket kuti tipurure makumbo sezvo tatanonoka.
"Endai henyu vanangu pane kwandiri kuda kumbomhanya, pamunodzoka ndinenge
ndauyawo. Behave ku church ikoko Nyevero handitika mwanangu?" Vakapindura
amai ndakatoshaya kuti vaida kuendepi makuseni akadai?

Muraini mese hapana aimboticheuka ko vaiudzwaka zvakaipa nambuya.

"Zvakanakai amai tokuonai tadzoka."


Ndakapindura kwakunogeza hedu takatochinjira muchi bathroom imomo ko
mumba manga musisaiteka. Manga mava nevaridzi. Takaparadzana naamai voenda
kwavaienda isu toenda ku church.

Amai Nyevero vakairova road vakananga kuGombe paivewo nekamufambo .


Vakasvika pamusha pavaida kwava kuma 9. Vakawana pasina kana munhu,
vakanga vakaudzwa about a mth kuti parikudiwa munhu anochengeta. Ivo sezvo
vaive nemusha wavo havana kuda kuendapo.
Vakaenda panext kunobvunza vakaudzwa kuti varidzi vakatodzokera Harare asi
havasati vawana munhu anoda basa. Vakafonerwa kwakutaurirana, asi vakati vaida
munhu ane murume or mwana mukomana anozoita basa rekurima nekufudza
mombe.

Amai Nyevero vakademba demba vakazonzi vauye havo vashande, pay yakanzi
$20 per mthn to her it was okey sezvo vaingoda pekugara uye yechikoro yevana.
Vakawirirana havo muridzi akati aizouya ovatakura mangwana acho nekuvaratidza
how to work saka vakatora number dzamai Nyevero for communication. Amai
Nyevero vakatenda ndokuoneka havo vodzokera kumba kwavo.

Marwei akazomuka zuva rakwira, pekubikira anga asina kana cup. Vakazoendat
kwaMurambinda kunotenga tenga zvekushandisa ne grocery vakaswerako
vachidya $ pa girosipoindi ko ndozvaaidaka zvemari.

Ku church musi uyu kwakaparidzwa about love and forgiveness. Hanzi


ukachengeta chigumbu you will be killing yourself slowly. But I couldn't manage
to forgive and love my father. After what he did? Never I swear never in my life
will I forgive that man. Church yakazopera tikaparara asi shoko remusi uyu
rakapinda rikabuda nekune imwe nzeve.

Takasvika kumba mai vasati vadzoka, mumba mairatidza kuti hamuna vanhu
papakatokiwa nekunze hameno kwaive kwaendwa. Takagara zvedu tichimirira
mhamha, Nama ndiye aingobvuma kuti why zvinhu zvedu zviri panze? Why
takurara kugomo? Ndakashaya kana mhinduro. Ndakatozovhara ndakukati
ngatinanikei hembe dzese dziome uye kurongedza zvinhu muchi bathroom
togezera hedu kuseri kwemba.

Joze akaendawo ku church musi uyu akati pamwe zvinhu zvingaita.


Akangonopaka zimota rake paAFM kwakutopinda service ipapo. Shasha
yakazobvapo yane plan. Sezvo aive akuziva pamba pamai Nyevero akati
aizoendako Friday onotaurirana navo face to face. Akasekerera zvake akati iyi ndo
best idea ko aiizivei zvake. Shasha yakarova mota yakananga kuMiekles kunodya
lunch yake.

Amai vakazouya tapedza zvedu kurongedza rongodza zvimwe zvinhu takaisa


kuseri kwemba. Tatatonzwa nekutarisa nzira.

"Masikati mhamha, ko kunonoka kudzoka mamaendepi?" Ndakabvunza amai


ndichivatambidza pekugara.

"Ndine good news vanangu , I'm so happy huyai mugare pano ndikuudzei."
Vakadaro mai ndakatoshaya kuti what good news she have for us tisina pekuisa
musoro. Takangonogara hedu sekutaura kwavanga vaita. Ini ndaitove ne stress
chaiyo ini. Upenyu hwedu huchatovawo nechimuko here? Ko iko kuchikoro
tichaenda tichigara pai?

Amai vakazotiudza zvekwavanga vaenda, ndakaita sendichabata denga nekufara.


Kumwe kufara kuti tinenge tava pedyo nechikoro.
I promise my mother to work hard kuchikoro, ndakanga ndarwadziwa mhani
neupenyu hwakadai. I promised her that she will be proud of me one day.
Takazoswera zvedu takafara knowing we are going to sleep outside only one day at
least papane tariro.

Amai Nyevero vakafunga kufonera vatezvara vavo kuti vavaoneke nekuvaudza


zvese zvaive zvaitika.

"Nyevero tora $1 iri unotenga airtime ndifonere sekuru vako."

Ndakatambira $1 riya kwakunotenga airtime ndakatopfuura nekwana Sharon


ndaida kumuudza hangu kuti ndakunogara kudhuze nechikoro. Taizosangana
kuchikoro chete.

Sharon akachema pandakamuudza zvekuenda kwangu, she was like a sister to me


taiwirirana kuchikoro taive bhadhe nebhurugwa. Asi hapanawo zvandaikwanisa
kuita ne situation yayavapo akandiperekedza kuma shops kunotenga airtime
tichikurukura hedu.

Pandakadzoka ndichisvika pamba ndakafunga kuti ndiri kurota ndaka...........!!!!

End of chapter 23

To be added in WhatsApp grup inbox number above.

Stay tuned for the next chapter soon

Like our fb page Aka Heather stories for more stories and short stories

Love you all happy reading !!!


NYEVERO

Chapter 24

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Pandakadzoka ndichisvika pamba ndakafunga kuti ndikurota ndakaona pakapaka


rori ichiita kuburitsa zvinhu zvinyowani. Baba vavatengera marwei new property,
isu kubva ndizvarwe pamba papasati pambouya mota ne property.*

Ndakatanga kunzwa kunyara, ko Sharon aiti chiiwo achiona izvi? Ndandisina


kumbomuudza kuti why tiri kunogara kuGombe. Mainini vakatotanga kupesvuka
vachiburutsa tunhu murori muya. Sharon achiona zvinhu zvedu zviri kuseri
kwemba akabvunza chikonzero. Ndakapa mai airtime yavo kwakuperekedza
Sharon ndichimuudza nyaya yese, ko panga pasisina chekuvanzazve.

My friend was hurt with our situation asi semwanawo anga asina chaaikwanisa
kuita. Takaonekana zvedu ndodzokera kumba ndakatodzokera ndichinonga
zvitsotso paruzhowa pedu.

Amai Nyevero vakafonera tezvara vavo vovaudza zvekuenda kwavo, uye


zvekuuraiwa kwemombe yavo zvese nekuuya kwemukadzi waRambwai wepiri
uyu. Uku musodzi waichururuka vachitaura pa foni.

"Ko waidii kundiudza pese apa Nhai muroora? Wainyararirei? Please muroora
usaenda ndotuma mai vako kugadzirisa zvinhu ikoko." Vakapindura vatezvara
vavo, ko vaizivei kuti mukadzi wavo was the main actor mumabasa emwana wavo.

"Zvakanakai baba ndangoti ndikuzivisei zvirikuno. Moswera zvakanaka."


Vakabva vakata zvavo mai Nyevero pavo vanga vapedza vaiziva zvavo kuti
amwene vavo hapana zvavaimbobatsira.
Marwei akaburutsa zvinhu zvazvakawanda ko vanga vashoperwazve. Murume aive
adzokera Chivhu sezvo Monday aienda kubasa. Akarongedza tunhu twese kitchen
ikazara neku bedroom ndizvo zvimwe. Twechirungu twaivapo kagas stove neka
TV neka solar paruzevha wozodei.
Aitoda zvekusvotesa mai Nyevero kwavo.

Sharon zvanosvika kumba anoudza amai vake situation yana Nyevero. Amai
Sharon vanobatikana voenda kunoona mai Nyevero kumba kwavo.

"Gogogoi pano." Vanodeedzera mai Sharon vachiri kunze kwemusha.

"Svikai zvenyu vasikana, maswera seiko?"


mai Nyevero vanopindura vachisimuka pavaive kunotambira umwe wavo.
Vanogara zvavo pasi votanga kukurukura zvavo. Amai Nyevero pavanoudza mai
Sharon kuti mukadzi waRambwai arimo mumba mavo. Mai Sharon vanoita
sevachanomurova mumba imomo asi mai Nyevero vanovadzora voti, "Vengeance
is for the Lord ,he is watching."

"OK asi nhasi monorara kumba kwangu sezvo wati mukuenda mangwana."
Vakadaro mai Sharon.

"Zvakanaka sahwira chirega tibve taenda tese hedu."


Amai Nyevero vakapindura vakutosimuka kuti vatore mauniform evana vavo vaida
vazoenda havo kuchikoro mangwana acho sezvo yaive Monday. Pavakasimuka
havana kuona kuti kafoni kavo kawira mudish remvura raive padivi pavo.

Amai vakatideedza kumunda kwataive tichichera hedu makurwe. Takaenda


vakatiudza kuti tikuenda kwana Sharon for sleep over. Ndakafara at last totaura
kekupedzisira na Sharon. Takanononga nonga zvinhu pandasimudza dish raive
pakanga paina amai ndakashamisika kuona ka foni kavo kari mumvura . Takazara
kukapukuta it was too late kakasisaite kana on.
Amai Nyevero vakaita stress kuti ko vanhu vaya vachafona pai? Sezvo vavanyora
number pakabepa vakakumbira mai Sharon foni kuti vasende sms kuvanhu vavaida
kushandira kuti vazofona pa fon yamai Sharon iyoyo. Vakapiwa foni vakasenda
havo message.

Sekuru vaNyevero pavakanzwa news dzemuroora vakazoswera vasurukirwa. Musi


uyu havana kuenda nekubhawa after work vakananga kumba .
Vachisvika havana kana kuswedza mukadzi vakangoenda panyaya yavo .

"Ko nhaiwe mai Rambwai. ko kusandiudza kuti Rambwai ane umwe mukadzi
chii? Ko mombe yaishandiswa ne mukadzi akaiurairei? Ko wakadiii kutaura?
Muroora afona ati apiwa gupuro uko." Vakabvunza vachiita kuhuta nehasha.

"Aa-a-a,andizvizive ini. Umwe mukadzi? Watisina kumboona? Havanyepi here


muroora wenyu imi? Pamwe akuda kungotiza zvake mwana wangu anohura
zvakanaka. Zviri zvemombe ndakatokanganwa kukuudzai yakanga yarwara, uye
nyama takatovapa yakawanda." Vakapindura mai veutsinye.

"Hazvina kuipa iwe hauchatopedzi mwedzi urikuno, ndoda utomukira kuMbare


mangwana unomisa muroora asaenda. Handiti kumba kune 2rooms dzisina munhu
vanosanogara imomo kusvika ndauya to sort this out." Vakapindura zvakasvota
mukadzi wavo kana sadza raanga abika akabva ariraramwa kwakunovata.

Chembere yakatanga kupopota yega ku bedroom kuya.

"Nxaaa mai Nyevero kunditadzisa kupedza mwedzi ndiri kuchirungu ini?


Ugonduiona kumba kwako ikoko nxaa enda nezvana zvako hameno kwawada ini
handitombokendenga kana."
Shasha yakataura kusvika yaneta, kana musi uyu sekuru yakanyimwa zvevakuru
Chembere yatsamwa zvayo.
Joze akazama kufonera Amai Nyevero ,foni yavo ikaramba kuita. Shasha haina
kurara ichifunga kuti yodiii? Akazoona kuti Friday kwaive kure saka aizomuka
achi canceller all his appointment onanga Buhera.

Takatandara zvedu musi uyu tichikurukura zvedu nekurairwa nana mai vedu.
Takatozodzingwa kuti torara sezvo taimukira kuchikoro, amai vakati vaizouya
votitora kuchikoro sezvo taitanga kunyora exam yeend of term taisafanira kurovha.
Ndaitotya kufoira kudzidza term iyi ndandarovha zvakanyanya. Ndakanamata
kwakurara zvangu.

Takamuka ndokugadzirira zvedu kuenda kuchikoro. Takapiwa chingwa chine jam


kutakura. Iyyy takafara kutakura chikafu chepamusoro kudaro tatakazviguma kare.
Takaoneka zvedu mom pray for us and we left.

Chembere yakamukira kuma bus dhara rakakumikidza mukadzi waro


kusvikonoona muroora vasati vagara pasi. Yakambofunga kuenda kumba
kwemwana wacho musikana ikatya dhara racho kuti raigona kuzozvibata. Kuma
11 vanga vamaMurambinda vakatsvaka tumota toenda kwavo na12 vanga
vapamusha pavo. Shasha haina kuenda kwayanga yanzi iende.

Vaida kutora mai Nyevero vakafona pa foni yamai Sharon vakapiwa madirection
ekusvika pamba pa mai Nyevero. Amai Nyevero vakatenda sahwira wavo
nekuvabatsira uye vakavimbisa kuzovashanyira vakaperekedzana havo vaviri ava
Nama ari kumusana kwamai vake. Amai Nyevero vakafunga kuudza shamwari
yavo about Joze's proposal.

"Nhai shamwari sekuona kwako ndingadiwawo here ini ne umwe murume?"


Shasha yakatenderera mubvunzo wayaida kubvunza.

"Shamwari uchiri mwana mudiki, remember wakaroorwa usati wakura and you are
still young 27years unotoroorwa ne jaya iwe ukatochata ufunge".
Mai Sharon vakapindura umwe wavo.
"Uhmmm ko vana vatatu munhu angazovada? Ini ndoda kuti vana vangu
vasatambudzwe hangu. Zvino Joze arikuti anondida shamwari but I don't know if
he can love my kids as well." Shasha yakazoti dyoo panyaya yayo. Amai Sharon
vakaonesa sahwira wavo.

"Joze sim to be a good person my friend, give him a chance take it slow okey and
see what will come out."

Mai Nyevero vakazobvumira kupa Joze a chance. Vairi vakaonekana zvavo umwe
neumwe oenda kwake.

Joze akasvika Mamurambinda akatenga grocery rake nehembe 2pairs 2pairs


dzevana akangotorawo ma size aafungira kuti anokwana. Musi uyu anga ane twin
cab akairova mota akananga paruzevha pana Tambu.

Joze achisvika akashamisika kuona pamba pa mai Nyevero pakamira kaT35 kake.
Zvakamunetsa nekuti anga akapa bamunini vake murume wemunin'ina wamai
vake vachiti varikuda kunotakura zvinhu zvemushandi wavo. So does that mean
mushandi wavo ndi mai Nyevero? Akapaka kure achiona hake karori kakasimuka
kotibura guruva kuenda. Iye aiteera ari kure hake pakakasvikomira pamba
pabamunini vake iye akamirawo kure.

Marwei akaita ku boiler negodo achiona mai Nyevero voenda ne mota. Iye aida
kuti vatambure for the rest her life vachigara panze manje mwari havadaro.

Amai Nyevero vakaudzwa mashandiro avaizoita, imba yavaivepo yaive 6rooms


ivo vaizoshandisa 3 rooms nevana vavo dzimwe 3 dzaivewo ne zvinhu zvevaridzi.
Mombe pamba apa dzaivepewo asi dzaifudzwa kunext saka vakanzi sezvo vasina
mwana mukomana mombe dzicharamba dzichifudzwa hadzo ku next ivo voita
zveku garden nekumunda.
Vakatenda uye vaka promiser kuzoshanda nemoyo wese. Varidzi vepamba vakapa
mai Nyevero Grocery raopedza mwedzi ndokuoneka vodzokera zvavo.

Joze akamirawo almost 2hrs ,paakazoona karori kakuenda akamira about 30min to
make sure kutibvaenda ndopakazoendawo pamba paya.

Mai Nyevero vaitove mumba vachi cleaner havo, pavakanzwa mota vakatoti
maboss adzoka. Pavakabuda panze she was suprised kuona Joze akazembera zvake
pamota yake.

"Nhaiwe Joze uri nunzi here iwe unonditeera pese pese?"

Vakabvunza Joze uyo akatotanga zvake kuseka.

"Anything you want to call me shamwari as long ndakuona I'm here to talk not to
quarrel with you." Akapindura Joze achitosimudza sisi Nama.

Mai Nyevero vakazobvuma kutaura na Joze uya.

"Why are you here Tambu what's going on?"


He asked .

"Long story I don't want to talk about it zvachose. By the way why are you here?
Uye akuudza kuti ndauya pano ndiani?"

Joze akatsanangura zvaita kuti asvikepo, asi haana kuudza Tambu kuti vanhu
vauya navo ihama dzake aitya kurambwa asati adiwa.

"But tell me Tambu why are you here?" Joze aida kuziva zvaita Tambu auye
pamba apa.

Mai Nyevero vakazotaura kuti vanga vauya kuzoshanda nekuti murume wavo anga
avaisira zvinhu panze neumwe mukadzi. Vaviri ava vakataura kusvika yerudo iya
yapindazve ,mai Nyevero vakati she will think about it.
Joze akazovapa grocery nehembe dzaanga atengera vana, akavaperekedza kunotora
vana kuchikoro sezvo vaisaziva pamba.
Varimunzira Joze akabvunza zve foni yaakavatengera vakati yakatsemuka.

"Ko why foni yako isiri kuita nhai Tambu? I mean diki yacho.
Joze akabvunza nekuti akanga aizama kakawanda ichiramba.

"Yakawira mumvura nezuro yakuramba kuita."


Vakapindura uye vakabva varangarira kuti vakaiisa padombo kuti iome
ndopayakanga yasara.

"It's okey will give you another foni line tonotora just now regatotora vana 1st".

Chembere yakazoenda zvayo zuva rarereka kumba kwemwana wayo, yakatoenda


yanzwa kuti mwana wavo akatora machira. Yaida kutonoona kana achiko not
kunobatsira mai Nyevero .

Takabuda zvedu pa school gate sezvo amai vavati vachauya kuzotitora. Pasina
nguva takaona pasvika zimota re white, ndakashamisika kuona mhamha
vachidzaka imomo.

Taka........!!

End of chapter 24

To be added in WhatsApp grup inbox number above

Stay tuned for the next chapter soon

Like our fb page for more stories and short stories Aka Heather stories .

Love you all ,happy reading !!!


NYEVERO

Chapter 25

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Takaramba zvedu takamira nemwana wamai vangu, amai vakauyawo pataiva.*

"Maswera sei mhamha". Takataurirana pamwe ini naRue.

"Ndaswera zvangu vasikana, kana imi maswerawo. Raririseiko exam nhasi?"


Amai Nyevero vakapindura vana vavo asi mumoyo vanga vasina kugadzikana,
vaitya kubvunzwa mibvunzo yavaizotadza kupindura nevasikana kunyanya Rue
vaitya nekuti paive pakangwariwa.

"Exam ini ndapasa mhamha haa zvazvakapusa , ko Nama aripi? Asi iyo ndiyo
mota yevaridzi vepatiri kunogara here mhamha? Yakanaka mhamha handitika?"
Rue akadaira nekubvunza amai vake mibvunzo.

"Aiwa mwanangu avo ndi uncle Joze va......!!"

Amai pavakangoti uncle Joze hatina kuzombomirira kunzwa zvakawanda,


takadungamidzana na Rue tichimhanya kumota kuya kunoona uncle.

Takasvika uncle Joze vakamira zvavo panze ku side kwa driver. Takaita
setichavawisira pasi nemufaro, vakatikwazisawo nemufaro kwazvo. Sisi Nama
vaive vatokotsira zvavo vari back seat kwavanga vakagara. Hameno why vana
vadiki vachiti vakangokwira mota vakutokotsira.

Takakwira zvedu mumota tikaiswa zve zvinenge zvibhadhi so na uncle. Amai


vakagara havo kumberi, ndisu avo hutu yakananga direction yekumba kwedu.

Ndakatomboda kubvunzwa amai kuti ko takudzokera futi kumba here? Asi baba
vachinja moyo aah hameno gaitigoona tasvika.
Marwei zvaakasara ega pamba po nezigomo kunze akanga otya zvino. Akafonera
amai vake kuti vauye netuvanin'ina twake sezvo aida kuzovasiyapo oenda taundi.
Ivowo mai benzi vanokarawo kudya kutobvuma wena kuuya kuzogara pamba
pemukwasha.
Hakuna ambuya vakadai vanotiza musha kuuya kugara pamukwasha haiwa bodo.
Shasha yakatonotenha muboora mumunda kunge make kani, kushaya matyira
chaiko.

Chembere yakasvika ikatambirwa nemufaro nemuroora mutsva uyu.


Vakagoibikirwa hobvu inechingwa chakanamwa jam ku side dovi rimwe side.
Chembere yakadya ichifara nekurumbudza muroora wavo uyu. Pavakazoudzwa
kuti mai Nyevero vaenda nemota vakaita sevachadzipwa ne tea yaive mumuromo.

"Watiii nhai Masivanda? Mota chaiyo here kana kuti ngoro? Wanyatsoona here
muroora? Haiwa ngazviende anohura nezvivana zvake. Iwe ndiwe wega
wandodisa ndichatopa Rambwai mombe yangu anorora mukadzi achandipa
muzukuru komana."
Nhamo ine nharo Chembere yaizvinetsa iyoyi kuzoda kuroora Marwei nemombe
kani, pamwe dzaive nyaya dzekugutisa tea hameno.

"Amai honai mota ikuya pano iyo ,asi ndi tete mai Matipa kani?"

Mai Matipa vairehwa ava vaive gotwe remumba mana Rambwai ko Marwei
aingoudzwaka nemurume nezve hama dzese iye asingadzizivi.

"Uhmmmm,aiwa mai Matipa haana yakadai mota ,rega tione kuti ndiani pamwe
vanhu vaudzwa kumba kuti ndauya pano angagova ani iyeyu?"
Chembere yakadaro ichisimuka wena kuda kutambiraka vaenzi vaive my twin cab.
Ko yaiziveiko kuti imhuri yamai Nyevero.

Takasvika zvedu pamba uncle vakasviko paka zimota ravo pakati peruvanze. Amai
vakati tidzake timhorese mbuya sezvo takawana varipowo pamba.
"Makadiiko mhai?" Amai Nyevero vakadaro vachigwadama kuombera amwene
vavo avo vavakangoshama muromo kunge uchazara nhunzi. Ko vanga
vashamiswazve kuona mai Nyevero vakadya window. Vakatadza kana kupindura
muroora aive avakwazisa. Mai Nyevero vakasimuka zvavo pavanga vapfugama
ndokuenda kudombo ravakanga vasiya foni yavo.

Takadzaka tikangoitawo makadii ambuya asi havana kupindura. Takatomhanya


zvedu kudzokera kunogara mumota uncle Joze havana kana kudzaka, amaiwo
vakauya vakabata foni yavo vakapinda mumota tikarova pasi.

Ndakamboda kuseka ndichiona zvaiva zvaita face yambuya aah vaifunga kuti
hatikwirewo mota hameno.

Chembere yakasara ikaita mudumbu yakatombomhanya kugomo kunozvibatsira.


Uyuwo muroora wavo akanga aita kudumbirwa neshanje.

"Mai Nyevero kuita chikomba chine mota sure ini ndisina? Hayayaya that can't be
no no no ndotofonera ambuya kuti vavarambanise nechikomba chavo ichocho
nxaaa." Ndimarwei uyo aitaura ega akabva atomhanya kunofonera ambuya
godobori.

"Helo muzukuru kwakanaka here ukagoita seuri kufemera padenga? Arikunetsa


here Rambwai?"
Ambuya vakabvunza muzukuru wavo akanga afona achiita kufemera padenga
sendere.

"Ambuya hakuna kumbonaka zvamuchose, pfambi iya yakadzingwa eeh mishonga


yakaita. Asi pane imwe nyaya mbuya, yauya pano nechikomba chayo chine
zibango remota ambuya dakuti vapokane asiwe atambure nezvivana zvake."
Marwei aitemba nen'anga yake iyi.
"Zvidiki izvo muzukuru uya chete nephoto yake mukadzi wacho tiite basa,
anoswera arambwa."
Ambuya vakapindura ndokukata zvavo foni yavo sezvo vaida kubatsira vamwe
vaivepo.

Marwei akatanga kufunga kwaaizowana photo ramai Nyevero akaona kuti hakuna
kumwe kunze kwe 1 raaigaroona mufoni maRambwai. Akafunga kutomuka
achienda Chivhu sezvo amai vake vavati vatosimuka kuuya.

Chembere yakadzoka kusango kwayakanga yaenda, ikafonera mwana wayo kuti


Mai Nyevero vatoenda nechikomba chavo. Vakarondedzera nemo nemo
nekuwedzeredza nekuwedzeredza. Vapedza vakaoneka zvavo muroora wavo uyu
kwakuenda kwavo.

Rambwai paakanzwa zvaMai Nyevero akamboita kanguva akagara apera simba.


Akanzwa godo uye deep down in his heart Mai Nyevero aivada asi mishonga
yaimu controller . Akazongozvi ignore akaita zvake basa rake.

Takaenda zvedu nepa supermarket yaive paGombe shopping centre uncle vakati
tinonge zvataida. Vakazonotisiya zvedu kumba kwedu kunew one. Amai
vakatiratidza marooms edu ivo vakati vakubuditsa uncle Joze. Takaita our
goodbyes to uncle but was surprised kuti amai vaida kuburitsa munhu ane mota
how? Vozodzoka havo netsoka? Ahh hameno takamhanyira muma rooms edu
zvedu tichidya iwo machocolate atanga tatengwerwa.

Amai Nyevero na Joze vakanopaka mota nechekure vakatanga kukurukura.

"But Tambu why warega kuenda kumba kwenyu nhai?" Than to work like this
here dzokeraka kuvabereki vako nhai."
Amai Nyevero vakazoudza Joze how she find out kuti they were not her bilogical
parents. Joze akabatikana nazvo but he promise to take care of her and her kids and
not to take advantage of her situation .

Joze akaudzawo Tambu about his life zvakaitika, uye kuudza vabereki vake
kwaakaita. Asi mai Nyevero vakati vanoda kufunga about it first uye kutanga
vaona zvoda vana vavo. Joze akadzidzisa Tambu how to use S4 yake yaanga aisa
line ravo, vaviri vakazoonekana havo Joze akapa mai Nyevero $50 yekutenga
airtime akabva aenda hake kumba kwevabereki vake aizomuka oenda Harare.

Mai Nyevero vainzwa peace mumoyo mavo asi vaitya kuti ko vana vavo
vachazvitambira sei? Ko vakati hatidi vamwe baba? Shasha yakanetsekana kusvika
yazofunga kusvikoudza vana vavo. Vakatsvaka tsvaka zvihuni kuti vagonyepera
kusvika vane chavakabata kumba.

Amai vakazodzoka havo papera kanguva takanga tatotsvaira dzimba dzese uye
kurongedza. Amai vakati vaida kutaura nesu saka takanogara zvedu mu launch
maive nema sofa ema boss. Chitsva chedu chokwadi kutogarawo pasofa aah mwari
variko.

Amai Nyevero vakazofunga kuti it's too late to tell her kids about Joze. Saka
vakafunga zvimwe zvekutaura ,zva Joze vaizovaudza some other time.

Patakabvunzwa na amai ini ndakashaya kana chekutaura. Asi ndakangoti ..........!!!

END OF PART 25

To be added in WhatsApp grup inbox number above

Stay tuned for next chapter soon .

Like our fb page Aka Heather stories for more stories and short stories .

Love you all ,happy reading !!


Like
NYEVERO

Chapter 26

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Patakabvunzwa na amai ini ndakashaya kana chekutaura. Asi ndakangoti


zvinenge zvichida mwari ndozvatoita.*

"Ini mhamha baba handitombovaregereri. Kana vakatidzinga kureva kuti


havachatida, uye takarara mugomo nekuda kwechimukadzi chavo chiya. Ini hangu
handina baba ini." Ndi Rue uyo aipindura zvazvabvunzwa na Amai.

Asi ivo mai vaitibvubza zvakadaro ivo vaivaregerera here baba vacho?

"Nhai amai saka imi movaregerera here baba nezvavakatiita izvi?"


Ndakabvunza ndichida kunyatsoona pfungwa dzamai vangu.

Ndakabva ndafunga pavakambondibvunza amai about accepting another person as


our father. Mumoyo mangu ndaingoshuvira kuti dai uncle Joze vaita havo baba
vedu, he sim to be a good person than our own father.

"I forgive your father long long back, only God can punish him musavenga baba
venyu handitika vanangu? He is still your father and that will never change."
Vakapindura amai asi ini mumoyo ndaingoti he was our father not still our father.

Ndakaona amai vachiratidza kuti pane zvavaida kutaura asi vaisazviburitsa.


"Nhai mhamha ko musi uya makandibvunza kuti, Can we accept someone else as
our father ? Mairevei paya nhai amai?"
Hemeno ndakazvifunga sei ndakangokarika ndazvitaura.

Reaction yakaitwa naamai yakaratidza kuti ndavabvunza zvavanga vasina


kutarisira. Uye vakamboita kanguva vakanyarara hameno nhema dzavaitoronga
kundipindura zvavo.

Mai Nyevero vakabvunzwa zvavanga vanzvenga kuudza vana vavo uye vanga
vasina kuzvitarisira. Vakatotsvaka nhema dzekutaura.

"Aah musuya here Nyeve, ndaitobvunzira hangu umwe munhu. Akarambwa


nemurume so aida kuziva how her kids will do if she remarry." Amai vakapindura
zvavo asi handina kugutsikana ne mhinduro yavo.

"You are hiding something mom, what is it?"


Mai vangu ndaivaziva I knew she was hiding something somewhere.

Amai vakangotanga vakosora kosora and I knew kuti vane nyaya.

"Okey vanangu you know I love you all handitika? Uye handidi kukuvanzirai
anything. Zvamati baba venyu hamuchavaregereri saka tomboti someone like
uncle Joze varikuda kuita baba venyu can you accept him? Can you call him
father?"

Pandakanzwa mashoko aya ndakaita kujamba nemufaro ndikasheedzera zi YES


rekuti kana amai vakashamisika naro. Zvimwechete na Rue akaita kujamba jamba
nemufaro sisi Nama ndohwaive usiku hunomwe zvawo. Ko aimboziva kuti chii
chiri kuitika here ,kuita mwana mudiki kwakangonaka unodarikwa nezvakawanda.

"Mom uncle Joze he sim to be a nice person, we love him and as for me I'm ready
to call him father. Ko handiti baba vakatiramba here mhamha?"
Ndi Rue ako kakataura kachiita kufara.
"Me too mom I like uncle Joze he is such a nice person ". Ndakatsinhirawo
zvazvataurwa na Rue .

"OK vanangu I'm so happy you like uncle Joze I was worried kuti muchazviramba.
Thank you so much my daughters I promise you uncle Joze will love you as his
own kids."

"It's okey mom all we want is for you to be happy as well." Ndakapindura
ndaidawo kuti amai vangu vambofara in her life kuchema kumboperawo.

Takazobika zvedu tichifara zvedu semhuri. Uncle Joze vakafona hameno takataura
kwema hour mangani. Munhu wese akataura amai ndovakazobuda panze
vakutaura na Uncle. Hameno pamwe vavakuudzana zverudo zvaisazoita vataure
tiripo.

Mai Nyevero vakaudza Joze how her kids think about him. Joze akafara nekuti
akabva audzwa kuti akupiwa mukana wekudanana naTambu. Asi paive nema
condition akaoma but he agrees semunhu aida kuroora not kutamba. Vaviri
vakataura kusvika amai vaJose vamuti achiuya adye sadza. Vaviri vakaita ma
goodbye avo ndokukata foni.

Amai vakazouya mumba tatopedza kudya, face yavo yairatidza kufara I was happy
to see my mother smiling again after such a long time.

Ndakavapa sadza ravo vakadya tikarongedza. Musi uyu takaudzwa ngano


zvatakanga tisisaziva uhmmm amai vaifara chokwadi. Takazoita strong prayer
ndokunorara zvedu.

Amai vakanorara naNama kune imwe room ini naRue kune imwe. Veduweka kune
vanhu vane tunhu twavo. Mubhedha waive matairara uhmmm kana waamai
wakasara namarwei waisasvika apa. Kana idzo hope hadzina kutana kubata tiri
pamunyorododo wayo double bed. Ndiani aimboziva kuti ticharara pakanaka kudai
uye kugara imba inoiswa cobra.

"Nhai Joze mwanangu hauchiuya naye here musikana waunoda kuroora uyu? Tava
nechidokwa dokwa chekuda kumuona isu, ko kumbondipawo nditaure hangu naye
pafoni nhai mwanangu?"
Ndi mai vaJoze avo vanga voda muroora. Zvino vaizozvitambira here kuwana
muroora wavakatarisira aine vana vatatu? Hameno regai tione zvedu.

"Relax kani mom you know your son very well. Muroora wenyu muchamuona
zvenyu stead ne cup muchembere dhongi harikamwi." Akapindura zvake Joze
imba yese vakati bvuu kuseka. Vabereki vake vaimuda zvakapfurikidza he was
mom's boy chaiye.

Vakazonorarawo zvavo sezvo Joze aida kumukira Harare akarara aoneka nekuti
aida kunobata meeting ya 6am saka aizobuda usiku chaihwo.

Vatezvara vaMai Nyevero vakafonera chembere yacho ikanyepa kuti yawana mai
Nyevero vatoenda uye vaive vatorwa nechikomba chavo. Baba vaRambwai
vakabatikana zvikuru asi chekuita panga pasisina semunhu aivewo kure. Kuti
vafonere mwana wavo aisadaira make macalls avo vakazongosiyanawo nazvo.

Marwei zvaakadzoka kuperekedza amwene vake akambotenderera musha kwaive


nezvinhu zvamai Nyevero achitsvaka picture. Sezvineiwo akaita mhanza
akanhonga picture yamai Nyevero. Akabva atofonera mbuya godobori kuti
aizosvika mangwana kuseni chaiko.

Amai vamarwei vakasvika nemhuri yavo, mwanasikana akatomhanya kuuraya


huku. Ko mai Nyevero vakashaya pekuisa huku dzavo vakangodzisiyapo havo.
Aiwa ambuya vakafara kuzogara pamba pemukwasha wavo vachidya nekubikira
pa gas stove. Vanin'ina vasisi marwei vanga vauyawo namai kutosiya vaoneka
mukadzi mukuru kusanyara.
Marwei haana kumboudza murume kuti mai vake vauya uye haana kutaura kuti
arikuuya Chivhu chifumi chaiteera. Shasha yakadzidzisa hama dzayo kushandisa
gas vakabika ndokunorara. Picture akarara atoirongedza muka bag kake.

Vakatandara ndokusvika pakukotsira candle ichingobaka, vakazopepuka imba


yakunganduma hapana kana akabuda nechinhu mumba imomo. Imba
yakanganduma ko mongoziva ma bedroom euswa yakaita dota zvese zvaiva
mukati. Imba yakazodhirikira mukati yatsva. Team rakatozorara richidziya moto
mukitchen. Kana yebus yekumukira Chivhu yayatsvira mumba.

Vengeance is for the Lord the bible says. Vanhu ndeve kungotarisa vachikuitira
zvakaipa one day mwari vanosangana chete navo.

Musi uyu ndakarota hope dzekuti ndega ndakamuka ndichiseka zvangu. Kurota
ndichidzidza kuboarding school in Nyevero, aaah ndokudziirwa manje uku.
Ndakamuka ndikanamata zvangu pandakaenda kukitchen ndichida kuvesa moto
kuisa mvura yekugeza I was surprised kuwana amai vakutoisa mvura mu bucket
kuti togeza.

"Mamuka sei amai? Ko mazvinetserei mhamha nekutonhorwa zvenyu muchitiisira


mvura yekugeza?" Ndakabvunza nekushisika zvese amai vanga vakandidzidzisa
kumuka ndichiisa mvura ndega yekugeza. Asi apa ndakatoona kuti zvavo zvanga
zvaenda kuzvitota chete.

"Mamuka seiko asikana ndati musanonoka kuchikoro nhasi sezvo mukunyora


exams kudai mofanira kukasira." Vakapindura amai ndakavatenda ndokunomutsa
Rue tikanogeza zvedu.

Mu bathroom macho uhmmm chirungu chaicho maive nepekuisa sipo nepekuisa


hembe uchigeza. Ko isu tanga tajairaka kungoturika hembe pa chinjingi house
pedu pekuti ukaipfeka inenge ichivava unye hweuswa hwega hwega.
"Sisi Nyeve aah baba vakatotigonera hamuzvioni? Takugara pakanaka kudarika
kumba kwatakabva dai vakasatombotiteera zvavo. Ndakaputika zvangu nekuseka
nemashoko aRue aya woshaya anenge azvifunga sei. Ndakabva ndafunga zvangu
tsumo iya yekuti kukava datya kuriyambutsa. Iwe unenge uchiti ndarikaurisa apa
iro richitokutenda kuti waita hako wandiyambutsa pandandichitadza kuyambuka.

Sure regai vanhu vakazoti,


"When a door closes another one will open."

Asi dzimwe nguva toramba takatarisa door ravharika totadza kuona rimwe rinenge
ravhurwa namwari. I thank my mother sure havana kuda kuramba vakabatirira
pamba pedu asi vakasuduruka zvavo now we are living a better life than
hwatairarama kumba kwedu.

Takapedza kugeza amai vanga vatotiisira food yedu. Takanamatirwa tikabuda


zvedu tonanga kuchikoro.

Handina kumbonotsvaka Sharon ndakati ndozomuona pabreak.

"Sharon are you sure about what you ..........!!!

END OF PART 26

To be added in WhatsApp grup inbox number above

Stay tuned for next chapter soon

Like our fb page Aka Heather stories for more stories and short stories

Love you all happy reading !!!!

NYEVERO
Chapter 27

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*"Sharon are you sure about what you are telling me? You mean bedroom redu
rakatsva? Ko chii chakaitika nhai, inga zvakoma?".*

Ndakashamisika kunzwa zvaive zvaitika kumba kwedu. Only God knows why,
nechemumoyo ndakati tsvatu waro mainini vaida kukohwa pavasina kurima.
Munhu idya cheziya rako uye padiki paunapo ipapo gutsikana kwete kuda zvausina
uye zvausingakwanisi ku afforder.

I thank God for my mother. Amai havana zuva ravaimbochiva upenyu hwaive
nevanwe uye vaitikurudzira kudzidza nesimba kuti tigorarama upenyu hwakanaka
husina ruchiva mukati.

Break yakapera tikadzokera zvedu kunonyora exam redu. Hakusi kundipusira


kwazvanga zvakaita ndaitoda kupasa nekuti kwakwasara team imwe before our
final Grade 7 exams. Ndaida kuzofadzawo amai vangu, munamato wangu waiva
wekuda kuzochinjawo hupenyu hwedu mune ramangwana. Musi uyu takakasira
zvedu kubuda sezvo tainzi tinoverenga.
Ku primary taimboverenga here waingosvikotamba kumba wozoverenga wakuda
kupinda mu exam.

Takatorana naRue tikamboperekedza zvedu Sharon kachinhambwe sezvo pedu


paive pava padhuze. Takazomusiya isu ndokudzoka zvedu kumba.

Rue as Rue aingobvunza about uncle Joze all the way kusvika tasvika kumba.
Ndakazomuti Rue handigari naUncle ini how can I know if he love us? Aah
mibvunzo yacho bodo kana imo mucourt handifungi vanobvunza saRue.
Takawana amai vasipo asi madoor akanga asina kukiwa kuratidza kuti vaive
padhuze zvavo. Mu kitchen manga makabikwa zvino isu takanga takapiwa
mutemo wekuti haupakuri usina kunzi pakura. Chero Rue aiita hake imwe
misikanzwa asi zvaanenge anzi usaita namhamha aisaita. Takatovamirira kusvika
vauya.

"Maswera sei mhamha?" Takabvunzirana pamwechete na Rue.

"Ndaswera mandara dzangu, ndandaenda kugarden kunodyara muriwo handina


kuziva muno kasika kudzoka nhasi. Ko madii kusanodya zvenyu?"
Vakapindura amai aah Ko kuzoti kusanodya kuti vazotirova zvedu.
Vakazotipakurira tikadya zvedu.

Joze akamukira Harare kuma meeting ake. Akazoswera zvake ava muoffice
yepamba pake achitaura paApp nechiponda moyo chake. Akatozoisa foni pasi Mai
Nyevero pavakati vakuenda kugarden.

Asi haana kufara nazvo nekuti aisada kuti Mai Nyevero varambe vachishanda,
akatombovanyengerera kuti avalogere hake maMurambinda asi Mai Nyevero
vakaramba. Vaityawo kushandiswa naJoze vaidawo kutanga vaona how serious
was Joze uye kuti anovada nezvavari here, vakanga vasisade zvekunyengedzwa
zvekare.

"Ko amai hamusi kudya maguta nei zvenyu?"


Rue akabvunza amai vaive vakabata shaya vari kubhenji. Amai vakangoseka zvavo
kwakuchinja nyaya asi ndakaona pane zvaivanetsa.

Amai Nyevero vakavhara vana vavo nekuchinja nyaya. Asi ivo vane zvavaifunga.
Nyaya yaivanetsa vaitya kuti Ko vakazoroorwa naJoze zvaasina mwana ivo
vakanzi havachaita mwana zvaizobuda here? Joze haazodiwo mwana wake weropa
here? Ko vabereki vake iye Joze vachandibvuma here nezvandiri? Nairo bus rangu
revana iri? Izvi vaizvifunga asi vakashaya kwazvingawane mhinduro.
Marwei akamukira kwavamwene kunovaudza mashura akanga aitika iye akafunga
kunowedzera sugar pane zvanga zvaitika. Ko shasha yaidaka kuzokumbira yecomb
yekuenda Chivhu.

"Mamuka seiko amai?"


Akadaro akagwadama kani awana amai vacho vachisuka suka.

"Wamuka seiko muroora? Ko kuzomukira kuno kwakanaka here kumba?"


Vakapindura amwene vacho vachitora nhewe kuti vagare.

Marwei akatanga kusvimha misodzi, "Amai hakuna kumbonaka kumba uku, Mai
Nyevero kuuya kutipisira imba mufunge dai tisina kutozopaza kuti tibude dai
takatsviramo." Marwei akapindura uku achipukuta pukuta misodzi yenhema.

Amwene vakagotukirira Mai Nyevero. Vakadeedzwa all sorts of names. Muroora


akazokumbira mari yekuenda kunoudza murume zvazvaitika, akapiwa yecomb
akaoneka odzokera kumba kwake.

Shasha kana hembe yekupfeka yanga yasara neyaiva pamuuri same same kuhama
dzake idzi. Apa food yose yangayatsvira mumba muya kusara zvishoma shoma
zvaive mu kitchen . Apa kuti team iri ridzokere zvaisaita vanga vasiya vaoneka
saka musikana akati aizovatumira mari via ecocash asvika Chivhu. Marwei haana
kuzomira semunhu aida kuzoenda kwambuya godobori. Picture ndorarasara kuti
oriwanepi. Riya raiva ratsvira mumba.

Rambwai akadzokera kumba paLunch akashamisika kuona door rakavhurika.


Akatomhanya achiti imbavha wanei mukadzi wake akanga achangobvawo kusvika.

"Ko kuzotevera so soon? Inga wakati ukumboda zvekugara kumusha?"


Rambwai akabvunza mukadzi wake atochinja face.

"Iyy dady imi zvakoma garai pasi ndikupirei."


Marwei akabva audza murume wake same statement raanga audza amwene vake
akazowedzeredza oti, "Izvozvi amai vanga vakushanya ndatovati vambosara
pamba pamwe vanodzokazve mai Nyevero kupisa kakitchen kakasara.

"Zvino chero tikada kumusungisa tomuwanepi mai Nyevero wacho?" Akabvunza


Rambwai, ko aizivei kuti cheche yake ikunyepa.

"Aiwa dady ngatisiyanei nayo chembere iya, nxaaa manje this time tovaka imwe
bedroom yakanaka ine marata vanyatsosvotwa."
Sisi vakapindura vachibata bata foni yemurume kuti vaone kutsvaka photo riya.

"Kana wadaro, chirega ini ndidzokere kubasa totaura manheru ndadzoka."


Rambwai akataura achitobuda mumba sisi vakafara foni yakabva yasara. Sezvinei
picture riya akariwana. Haana kuzombogara akabva amhanya kuma shops
kwakuno sukisa pic iya ndokunanga kwambuya.

Takapedza kudya amai vakangotanga kuimba zvavo aah dzikane takunamata.


Takanamata mongonzwa imi chero zvauya mumoyo munhu aingonamata.
Tichipedza takaenda zvedu ku garden kunotsvaka zvikuni zvekubikisa chikafu
chemanheru.

Marwei akasvika pambuya paine que kwete yekutamba. Akamirira hake turn yake
ikazosvika sezvo aive wekupedzisira vakanyatsotsanagurirana zvaaida kuti mai
Nyevero vaite. Uye aida kupiwa umwe mushonga wekuti adiwe more na Rambwai.

Akapiwa wekuti adiwe more 1st akanzi aizouisa mumvura yaanenge agezesa muiri
oibikisa tea chete chete opa murume. Varume vanoda zvinhu vanombodyirirra
zvavo wee aiwa.

Ambuya vaya vakatora picture ya mai Nyevero kwakuiisa mu gaba kwakuvhara


hameno zvavaitaura vachireverera pagaba riya.
"Gaba iri muzukuru tambira utaure zvauri kuda kuti mukadzi iyeye aite."
Marwei akamhanya kufunga akati better mai Nyevero vaite bofu hapanazve
anozombovada all her life.

Akatambira gaba riya kwakutanga kutaura achideedzera.

"IWE TAMBUDZAI KWAURI IKOKO NDODA UFE UCHITAMBURA


SEZITA RAKO ,,HANDIDI UITE MURUME ANE MARI UYE KUBVA NHASI
NDODA UITE BOFU MAZISO AKO HAAZOFE AKAONA ZVEKARE
MUZUVA RANHASI."
Sisi vakadzosera hari kuna mbuya ,vakaburitsawo mari yaiita $50 kwakupa mbuya
godobori vaya vakatenda ndokubuda voenda zvavo kumba kwavo.

Taitotaura zvedu nyaya tichiseka tichitsvaka huni amai vakangoridza mhere vachiti
maziso avo haachaona.

Taka...........!!!

END OF CHAPTER 27

To be added in WhatsApp grup inbox number above

Like our fb page Aka Heather stories for more stories and short stories

Love you all ,happy reading !!!!!

NYEVERO

Chapter 28
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Takamhanya paive na amai chokwadi vanga vasisaona, ndakazama ku waver


ruoko pamaziso avo asi vaiti hapana chavari kuona.*

What kind of life is this nhai mwari? I know it was someone's evil work nekuti
mwari havamboitisa munhu bofu for no reason. Ndakafunga kufonera varidzi
vepataigara to tell them zvaiva zvaitika asi ndakatya kuti ko vakabva vatidzinga
pano? Toendepi manje? Ndakazofonera uncle Joze to tell him zvazvaitika vakati
vakutosimuka kuuya Buhera. Takananaidza amai ndokunovagarisa mu kitchen
takavhara door ndokutanga
kunamata.

Marwei akasvika kumba zuva rorereka, sezvo murume wake aida tea 1st abva
kubasa, shasha yakamhanya kunogeza nemushonga uya ndokubika tea nemvura
yacho. Rambwai achisvika akatsvodana nemukadzi wake ndokubika zvake tea iya,
ko aizivei zvake ko kana mvura yane masamba handiti inongoita black?

Joze paakangonzwa zvaTambu haana kuzomira kana kuchinja haana akatora


Amarok yake omhanya Buhera. Aifambira mu 180 chaimo within 3hrs anga asvika
pamusha paigara vana mai Nyevero.

Amai vanga vongochema, takapedza prayer ndokuvararisa mu kitchen imomo.


Sezvo kwakwakutosviba ndakatanga hangu kubika asi moyo wangu wairwadza
nezvaive zvaita amai vangu. Ndiani angadaro akonzeresa zvakadai?

Pasina nguva takaona light panze, ndakabuda kuona kuti aive ani? Ndisati
ndamboita nhanho mbiri ndakaona uncle Joze vachiuya vachimhanya vakabva
kabottle.
"Nyevero, mhamha varipi?"
Uncle vakabvunza handina kukwanisa kupindura misodzi yakuerera
ndakangokwanisa kutendeka ruoko rwangu mu kitchen.

Uncle vakamhanya mukitchen muya, ndakateerawo. Rue naNama vaingochema


vakagara paside paamai. Uncle vakasvikomutsa amai ndokuvadira oil yaive muka
bottle kavaive nako.

"Nyevero huyai tinamate, musachema amai vanoita right handitika?"

Ndakangogutsurira musoro takabvugama tese tikatanga kunamata tese naamai


tichideedzera fire fire go back to sender haa mongonzwa imi. Pakaita rinenge light
mumba amai vakadeedzera,
"Thank you Lord I can see now."

"Mom can you see me?"


Apa mumba manga mane karima ko moto wanga watodzimaka.

"Yes Yes I can see ,mumba muno mune vanhu 4."


Amai vakapindura for sure vanga vakuwona takatenda mwari nekutiratidza simba
rake.

Musi uyu ndakadzidza one thing, Satan anogona zvake kuda kuvhiringa upenyu
hwako asi kana mwari akaramba hapana choitika kwauri. Sure ndakazo believer
kuti varoyi variko and vanokwanisa kutokukanganisa kana usina mwari.

Nguva dzadzatozofamba uncle vakati vakudzokera kwavo Harare. Amai vakavati


havanga fambe usiku. Vakazogara zvavo tikabika takutofara zvedu.

KuChivhu game ranga rachinja, shiri yanga yabata rekeni. Marwei akati akagara
zvake pasofa pake achitamba chikudo na baba mwana akangotanga kuona rima.
Yakaita batai batai chaiyo Rambwai akapinda busy kunyararidza mukadzi
akuchema kuti haachaona aroiwa namai Nyevero.
"Rambwai ndaroiwa nemukadzi wako kani handichaona kani!" Shasha yakademba
demba chaisazikanwa kuti zvinhu zvake ndozvazvamudzokera. Kurumwa
nechekuchera chaiko ko ndozvinoitaka mushonga kana bhaibheri rakataura rikati,
"no undeserved curse will come to rest."

Eh unogona kumbotambudzwa asi hazvigari pauri mushonga haufi wakabata


pasina
chironda.

Rambwai akapinda busy, kuti afonere ambuya vanga vasina foni handiti yakatsvira
mumba. Saka akazoronga kunosiya Marwei kumusha sezvo amai vake vanga
vaako aiwana anogara naye.

"Asi ndakaramba mukadzi wangu sure nekuda kwemunhu ava bofu uyu? Saka
ndichagara nebofu here ini? Zvino mai Nyevero ndichavawanepi?" Rambwai
aifunga hake akatarisana nemukadzi wake aingochema asisaona uyu.

Takadya zvedu tichifara kutokanganwa kuti tamboita bofu mumba. Upenyu so aah
hameno, uncle Joze vakatiudza zvedu ngano musi uyu tikaseka kunge
tichadambuka mbabvu. He was such a nice person. Amai vakazotiti tinovata sezvo
taimukira kuchikoro. Takaonekana na uncle vakatipa mari yekutenga ma sweets
kuchikoro sezvo taizomuka vaenda.

Vairi vakasara havo vachidziya moto vachikurukura havo.

"Nhai Tambu who can do this to you nhai? Like seriously ndiani angabva
akuvenga kudai kusvika pakukuitisa bofu?" Joze akabvunza mai Nyevero
mubvunzo wavanga vasina kana kutarisira.

Vakaramba zvavo vakanyarara nekuti vanga vasina kana idea kuti ndiani
azvikonzeresa.
"Sorry kana ndabvunza zvisizvo shaa, anywhere the good part of it is you are now
okey. I love you Tambu nomatter what the situation I will never leave you." Joze
akataura akatarisa mai Nyevero mumaziso chaimo.

"Thank you so much Joze, I see how much you care sure may God bless you."
Ndomashoko ega akataura mai Nyevero kuti vatiwo I love you iyyy vanenge
vainyara hameno.

"Tambu sha dakuti tinoona vabereki vangu next weekend kana uchida hako asi at
1st tombosiya vana amai vangu handisati ndavaudza about vana."
Joze akataura hake asi aiziva Tambu haabvume.

"I will think about it Joze, ndokuudza zvandicha decider." Amai Nyevero
vakapindura vakushama n'ai kuratidza kuti vakuda kurara.

Joze akazviona hake akakumbira jira rekufuga akati aizorara zvake mumota
uyeaizosiya aisa jira mu kitchen sezvo aizobuda kuma 4, aida kubata meeting
kuHarare na 8am. Akapiwa hake jira akapa mai Nyevero $100 kuti vagoenda
kunorukwa kwaMurambinda or kwaMarenga.
Akaonekana nemudiwa wake ndokurara mumota make.

Mai Nyevero havana kurara vachifunga zvanga zvaitika, vakatora bhaibheri ravo
vakatanga kuverenga. Vakanamatira mhuri yavo uye kuti vabereki vaJoze
vagovagamuchirawo sezvavari.

Rambwai akamuka usiku utema kuti aende nemudzimai wake kumusha sezvo iye
aida kuzodzoka kubasa. Mota hadzinawo kunetsa kuwana kuma 7 anga atosvika
pamusha pake. Ambuya vake vakabatikana kuona mwanasikana wavo asisaona asi
chekuita panga pasina vaksiirwa $200 yekuzotenga zvakushandisa naRambwai iye
ndokudzokera kubasa. Ari mu road aingodzungudza musoro hameno zvairongwa
nekurongonoriwa.
"Nhai mwanangu ndiani akuitisa bofu kudai? Chii chakaitika usandinyepera
mwanangu ndiri mai vako."
Mai vamarwei vakabvunza mwana wavo .

Marwei haana chaakakwanisa kutaura aingoti ndaroiwa na mai Nyevero. Mumoyo


make aiziva hake kuti pamwe mushonga wake wapanduka asi aisada kutaura
chokwadi. Kuti afonere mbuya Godobori anga asisina foni apa abofu pamusoro
pazvo.

Takamuka uncle vatorova pasi,hatina kuda kumutsa amai musi uyu takaita zvinhu
zvedu takazonovaoneka takutomhanya kuchikoro.

Ndichisvika kuchikoro handina kumboita nyaya nevamwe ndakananga ku class


kunoverenga zvangu.

Takanyora zvedu maths musi uyu,maths kwaive kudya kwangu ndakabuda zvangu
ndichi smiler mu exam. Ndakatorana na Sharon toenda hedu kubreak.

Patakangoti pote paseri pe block redu takawana haikona. ..........!!!!

END OF CHAPTER 28

To be added in WhatsApp grup inbox number above

Stay tuned for part 29 soon

Love you all , happy reading! !

NYEVERO

Chapter 29
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Patakangoti pote paseri pe block redu takawana haikona Rue achirikita kamwe
kamukomana kataidzidza nako vice headboy pamusoro pazvo ,apa vanhu vachiita
kumukuza haikona, ndakangomhanya kunobata Rue.*

"Nhai Rue kwakanaka here? Ukuroverei vice headboy? Hauzive kuti unopiwa
punishment? Aita sei wauri kurova?" Ndakabvunza Rue ndichiita sendichamuridza
nembama. Apa mukomana uya aive ongochema ndakamboda kuseka munhu
wacho aichemedzwa na Rue ne body size yake uye grade 7 kurohwa nemu grade 5
here aah.

Rue akazondiudza kuti bhudhi vaairova ava vakanga vamuudza kuti mwana asina
baba uye baba vane mukadzi bofu ndosaka anga amurova.

Mukadzi bofu? How did he know that? Ko ndaigoziveiko kuti bofu rairehwa
ndiani? Ndakazonzwa nevamwe vana vaibva kumaraini kwedu vanga vanzwawo
nemadziro committe kuti baba vadu vauya nemukadzi bofu.

So does that mean mainini va bofu? How? Aah ndakazvibvunza ndikashaya


mhinduro. Hameno chavaitisawo bofu ndezvekwavo izvo. Takazotorana naRue
toenda hedu ku break asi ndakamutsiura kuti asarova munhu pachikoro again
imhosva.

Tisati tambogara ndakaona vice headboy uya achiuya pataive ari chahwiriri
haikona. Ndakatoziva kuti aive a reporter. Ndakangonamata kuti Rue asazopiwa
mutongo unorwadza.

"Iwe Rue ukudiwa na Headmaster ku office kwavo izvozvi." Mukomana uya


akataura achibva atotendeuka kudzokera kwaive abva nako.
"Rue behave kwaHeadmaster kwawava kuenda uku ukaita hako dzungu hameno
hako, unonodzikama kana vakakupa punishment will help you after school."
Ndakadaro ndichibhabhadzira Rue akabva amhanyawo ku office kwa headmaster
kuya.

Headmaster vagara vakatovenga Rue nezvaakambovaita vafonera school feel


hameno kukabuda chakanaka. Ndakangoisa ka short prayer mumoyo kuti asapiwa
punishment inorwadza mwana wamai vangu. Ndakasiya Sharon akagara
ndakamhanya kunomira paseri pe office ya headmaster kuti ndigonzwawo
ndakademba kuti dai ndirini hangu ndapiwa punishment yacho.

Headmaster pavakangonzwa kuti Rue aita musikanzwa vakabva vati tsvatu waro
vatowana pekumubatira nezvaakambovaita.

Rue akapinda mu office muya havana kumboda kunzwa her side handiti anga
arova vice headboy aingonzi haanganyepi. Rue akapiwa shamhu 5 dzakasimba
ndakadongorera nepa window, ndakarwadziwa mwana wamai vangu achiita
kuyuwira neshamhu dzaairohwa. After shamhu akanzi agonhonga marara school
yard yese neku ground after school . Aah headmaster vanopa mwana we grade 5
shamhu 5? Utsinye chaihwo.

Ndakabva zvangu pa window paya ndodzokera ku class kwangu sezvo bhero


rekupera kwe break ranga rarira.

Rambwai anosvika pabasa asi anotadza kushanda ne stress . Anokumbira manager


kuti adzokere kumba, shasha inotanga kufunga ma good memories ayo na mai
Nyevero. Anona kuti amai vake ndovakamufurira kutiza musha wake now marwei
ava bofu . Shasha inofunga kutsvaka mai Nyevero asi yoshaya pekutangira.
Anotsvaka number kuti avafonere asi anowana mu fon musina number.
Anombogara pasi ofunga way forward .
Joze anosvika ku Harare otanga afonera mudiwa wake uyo anomuudza kuti she
was ready to see his parents the following weekend. Joze akafara zvekuti dai
Tambu aive padhuze aitakurwa chete. Kana meeting yakazoita aiwa mood yaaive
nayo yakashamisa kana PA wake.

After meeting Joze akafonera amai vake kuti vagogadzirira muroora aiuya
kuzovaona weekend yaiteera. Aiwa chembere yakafara ndozvavaive vakamiriraka
kuzoona her new daughter in law hameno vaizomufarira here. Asiwo pachimiro
here aiwa mai Nyevero vanga vakaumbwa mwari vaiine nguva uye pachiso yaive
ngirozi chaiyo.

Ngatimboonaiwo kuti ma foster parents amai Nyevero zvavakasara vakazoita sei?


Sevanhu vaive nevana vaive nemari havana kuzombofungazve zvamai Nyevero.
Sezvinei vana vavo vese vakauya nemhuri dzavo dzese ku function yaive kumba
kwavo. Aiwa vakafara kwete zvekunyepa. Musi wekudzokera wasvika
vakashandisa Fortuner ya baba Kupa kudzokera Harare imwe mota yemwana wavo
musikana yanga yasiirwa vabereki. Chembere yacho yaisagona nekufara kani
zvepamusoro yaizvida kunge TV yemubhawa.

Vana vakatoonekana nevabereki vavo zvakanaka naka. Ko vaizivei kuti ndokatove


kekupedzisira kuvaona nyama nemweya zviri pamwe? Mota yakati yarohwa
uchangoti darikei Chivhu they involved in a fatal car accident vakatsakatikirapo
vese. Chembere mbiri dzikasara dzangova idzo pasina kana muzukuru sezvo vana
vavo vairi ava vaingova ne mwana umwe chete umwe chete.

Kuti titi inguva yamwari yanga yakwana kana kuti chii hameno. Chembere yanga
yogara ichingochema kuti pamwe utsinye hwandaiitira Tambu? Asi it was too late
ka nhai yadeuka yadeuka haidyorerwi.
Umwe musi vakatogara chembere yakabvunza murume wayo,
"Ko nhai ba mwana Ko tadii tanotsvaka Tambu nemhuri yake? Ndiye ega
watatosara naye nevazukuru vedu vatatu."

"Ukati wakakwana here mukadzi wangu? Saka kumudzinga kwawakaita pano


Tambu unoti achabvuma here kudzoka pano? Hameno mai bhoi kana mada
kunomutsvaka moenda henyu kana musina nyadzi." Vakapindura sekuru vaKupa
vachitosimuka zvavo pavanga vagere kuti vanodiridza garden yavo.

Chembere yakaona kuti better imedze pride yonokumbira ruregerero kuna mai
Nyevero nekuti ndiye ega mwana anga asara chero hake aisava bilogical daughter
yavo. Vakapinda mumba vakatora ma key eka March kavo ndokurova mota
vakananga kwavaingoziva kuti ndokumaraini kwakaroorwa Tambu. Ko
vaimbokuziva here handiti vanga vasati vambokuenda neruvengo rwavaive narwo,
hameno vainotangira pai.

Nguva yekuenda kumba yakakwana ndakatozonononga ma papers ndakamirira


Rue kuti ndikabatsire. Ko ndaigozivei kuti Rue wacho atorova pasi zvake.
Ndakanonga zvangu marara ndokupedza. Ndakamhanya kuenda kumba
ndichangoti ibvei pachikoro ndakasangana nevakadzi vekumaraini kwedu vachibva
ku Gombe kumazhanje.

Vakagoti neni kundibvunzurudza kwatanga takugara aah ndakavanyepera vaidei


kuda kuzivisisa. I was shocked pavakazondiudza kuti mukadzi wababa anga ave
bofu. So it means vana vaya was right? Handina kuzombomira ndakamhanya
kumba kunoudza amai mashura andanga ndanzwa.

Ndakasvika kumba Shabhani yakadzora mwando, amai vaifunga ndaenda


kumaraini or ndasara netukomana ko mazera edu aya vamwe vedu vaitotanga
zvevakomana ku primary level .

"Maswera sei .....!".


Handina kuupedza muromo iwoyo ndagamwa na amai.

"Nyevero wanga wasarepi vamwe vako vane 1hr vauya ava? Wakuita
zvevakomana here iwe, unondiziva ini chihera handidi zvisina basa ndotambura
nemi pano woda kundinyadzisa here iwe?"
Amai vakataura vachitosebera kwandiri kugadzirira kundirova. Ndakaona kuti
ndikataure chokwadi Rue aizorohwa.

Ndakamboda kunyepa kuti ma grade 7 tanga tasara ndakazofunga pa next paive


nemu grade 7 pamwe vanga vamuona.

Ndakafunga fast fast, "Aiwa amai ndanga ndasara hangu na Sharon tichiverenga
sezvo tisisagare kumwe taverenga hedu kuchikoro." Ndakapindura nekubva
ndawedzera nekanyaya ka ndanga ndanzwa kaya kekuita bofu kwa mainini .

Amai vakashamisika ne news idzi, amai vakabva vatofonera mai Sharon kuti
vanzwe kuti chaive chokwadi here. For sure it was true marwei anga ave bofu.

Takangotiwo hameno zvaakaitwa ko taizivei hedu chachamuitisa bofu.


Takatozotanga zvedu kugadzirira zvekubika zvemanheru. Amai pavakangobuda
vachinochera mvura ndakabvunza Rue zvepunishment yaanga atiza. Reply
yaakandipa ndakashaya kana power amai vakabva vadzoka takanyepera kunonga
huni ndokupinda mumba.

Chembere yakaswera hayo kumba kwayo sezvo yaiziva kuti muroora haako.
Vemadziro committe vakazoti vadarikawo nepamba payo vakaudzwa kuti muroora
rave bofu ko kune vanotanga kunzwaka guhwa kuraini vekuti unotoshaya kuti
azvinzwa nani kupi.

Chembere yakanhenhaira yakananga kumba kwe muroora yakasvika sisi


vakaradzikwa pasi pemuti. Vakarwadziwa kwavo nekuita bofu kwe muroora wavo
aizovazvarira muzukuru komana . Saka vakapromisa muroora kuzomuka voenda
naye kwaMadzibaba sezvo vaiti ndi mai Nyevero avaroya hakuna umwe.
Chokwadi regai zvinzi kana panofa munhu hapashaikwe muroi. Iye munhu aiziva
hake mabasa ake aakabata.

Marwei akasara akafunga kuti nyaya yaigona kuzobuda kwaMadzibaba uku saka
akakumbira kamunin'ina kake kakamuperekedza kwaMadzibaba aida
kusanotsindidza muporofita kuti asazotaura Chokwadi pana amwene vake uye
kumubhadhara kuti agoti mai Nyevero ndovaive vamuitisa bofu. Ko mazuvano
mari inotongaka hanzi without money no one will like you.

Takazopedza zvedu kubika takadya tikanorara zvedu. Amai vakanamata musi uyu
takarara zvedu mu one room tese. Ko taigotyei hedu papasisinaka baba vekuti taiti
ndovanorara mu bedroom .

Ndakarota hope dzakandityisa. Ndaive pa.........!!!.

END OF CHAPTER 29

To be added in WhatsApp grup inbox number above

Stay tuned for the next chapter soon

For more stories like Aka Heather stories don't miss any chapter

Happy reading ,love you all! !

NYEVERO

Chapter 30
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Ndakarota hope dzakandityisa musi uyu. Ndaive pakati pa baba naamai baba
vachiti mwana wangu ndakumutora amaiwo vachiti mwana wangu, asi
pekupedzisira ndakazoona pasvika mumwe murume akauya akandibata ruoko
ndokuenda neni tikasiya amai nababa vakamira. Ndakapepuka ndizere nekutya
what does that mean?.*

Ndakamuka ndikanamata asi hope hadzina kuzobata kusvika kwachena, ndakanga


ndakufunga nezvechiroto changu chandanga ndarota . Zvandairota zvaiwanzoitika
so ndakashaya kuti apa zvaizofamba sei? Ini hangu zvekutorwa na baba ndaive
ndisisada zvachose.

Kunze kwakandinonokera kuedza, ndakazomuka ndogadzirira kuenda kuchikoro.


Sometimes ndaimboshuvirawo kuva mudiki aah, Rue chake chaaiita kuzogeza only
ko aivewo mudiki ka kuita mwana wedangwe kwakangooma.

Amai vakamuka vakatinamatira takubuda , Rue achingoti Amen anga atova kudoor
kubuda. Ko shasha yaizivaka kuti pamwe ndomubvunzazve nyaya yake izvo kwani
ndandatozvikanganwa zvangu. Ko ndandapindurwa magara moyo ka zvangu
pandakambozvibvunza. Handina zvangu kuita hanya nazvo ndakatevera hangu
kuchikoro ndiri ndega.

Amai veka March vakarova mota vakananga paMarovanyati, mota yakapfumbura


guruva kasvika mudunhu rekwaMabika. Semunhu aisaziva paainanga uye number
yamai Nyevero vanga vasisina vakabvunza tumwe tukomana twaifudza mombe
kumba kwamai Nyevero. Vakatoita zvekunongedzerwa kuti apo, vakatenda zvavo
ndokuirova mota vakananga pamba paya vachigaya zvekusvikotaura.
Shasha yakangosvikoti kabhero pi -pi -pi kani vaitika mwana wavo achabuda. To
her surprise hapana kana akabuda mumba muya apa musuwo wanga wakatoshama
kuratidza pane vanhu. Vakapamhazve kuridza bhero asi hapana akauya. Vaitovawo
mumba macho vaito ignore vachifunga kuti ndiMai Nyevero zve vadzoka
kuzovavhairira.

Amai nhiya vakazobuda mumota muya ndokunanaira vakananga kudoor kuya, apa
face zvayanga yakaita kuwuna wuna kunge kamunhu kanaiwa.

Vakazogogodza pamusuwo ndokupinda zvavo, vakatambirwa nema new faces


ndokuudzwa kuti mwana wavo anga asisagare pamba apo sezvo akarambwa. Hope
yose yavaive nayo yakapera kuti hwaa. Vakazvuva makumbo vachienda kumota
yavo kana kuoneka havana.

Tambu ndomuwanepi manje? Ko akaendepi? Vakazvibvunza vakashaya


akapindura. Ko vaida kupindurwa nani wavo pamwe dai Mai vaRambwai vaivepo
ndovaitozvigona.

Marwei zvaakasvika paMadzibaba semunhu aisazikanwa muraini umu madzibaba


vakamboda kunetsa kunzwisisa asi pavakazoratidzwa $50 aiwa vakanyenama
mazino kusvika mundebvu. Ndokubvuma zvaidiwa namai ava. Marwei akanzwa
kurerukirwa sezvo anga apotsa abatwa madhiri ake. Asi peace chaiyo anga asisina.
Ko handiti love yake naRambwai was based on mushonga manje zvaanga ava bofu
mushonga aizouwanepi? Aienderwa nani kun'anga? Moiona mishonga iyi veduwe
munhu ingodiwa sezvauri musatsvaka zvimishonga ana mai wee. Hanzi hee
ndokuti rudo ruwedzere aah aah imi ko paakambokuda handiti wanga uri zvauri
izvozvo? Zvino kana woexpire aah hameno.

PaChivhu Rambwai anga akarohwa nestress haikona, akatsvaka number dzamai


Nyevero pese paaifunga akashaya. Akazofunga kumuka achienda pamuporofita
waaingonzwa kuti anoporofita kana neID number . Aive ne hope yekusvikowana
help about mai Nyevero 's whereabouts. Shasha yakarara zvayo kana
kumbofungawo kuti mukadzi bofu uyu ari sei. Ko kufungawo kurapisa mukadzi
hako? Aah kuita second best kwakangooma asikana woye munhu kana akufunga
mukadzi wake anokukanganwa in seconds. Ko imi asikana kungogara waita wako
pane kuitwa second best?

Amai vaJoze vakafonera vasahwira vavo vanova vaive Foster mother vamai
Nyevero kuti vazouye voonawo muroora to be, wavo next weekend. Semunhu aive
nestress dzake vakapindura kuti vaizoona kana weekend yacho vasiri busy. Ko
vanga vorwadziwaka kuona vamwe vachifara zvavo nevana vavo. Sezvo ivo vanga
vadyirwa munda sevakanga varima nyama.

Ukuwo baba vaJoze pavakanzwa zvekuuya kwemuroora kuzoona pamba


vakafonera mwana wavo kumuudza mazano kuti asazobufura zvevana kuna amai
vake. Vaizotaura when the time is right .

Chembere yakamuka ndokugeza geza kuti imhanye kunoenda ne muroora


kwamadzibaba.

Aiwa vakasvika pamuporofita pasati pazara. Vakaudziwa havo kuti amai Nyevero
ndovaive vaita muroora wavo aite bofu.

"Saka todii nhai munhu wamwari? Ndoda muroora wangu aone ini."

Amwene va Marwei vakabvunza, madzibaba vakatsenga tsenga mukanzwa vakati


Marwei ozodzoka kupiwa kundiso. Hameno kundiso yacho aida kuiwanepi.

Vakabva havo pasowe amwene nemuroora, amai vaRambwai vakabva vatofonera


mwana wavo to tell him about zvazvataurwa. Asi foni haina akadaira vakasenda iri
message, vakanosiya muroora wavo ivo voenda kwavo.
Shasha yakasvikowana pamba pari zii mombe dzisati dzavhurwa. Vakadeedza
mukomana wemombe hapana akadaira. Pavakazonotarisa maairara wanike mune
katsamba.

Tsamba yaiti,
"Kuna ambuya vanonetsa. Ini ndaenda zvekugara pano ndazvitadza uye pamazuva
andakashanda aya ndatora machongwe mairi ndonotengesawo. Musare zvakanaka
ndaenda."

Dai makaona zvakaita face yechembere iyi, ayaya maitiza. Ko vainetsawoka kuita
mushandi hazvirevi munhu atova slave yako aah anomuka akaenda. Shasha yanga
yadzokerazve pakufudza mombe. Yakazofunga kunokumbira munin'ina we
muroora one kuti ambofudza vachisanotsvaka mushandi.

Ndakasvika zvangu kuchikoro ndikatanga kuzviverengera all I wanted was to


make my mother proud. Ndaidawo kuzova doctor by God's grace. Ko yaingovewo
dream chero ndikapasa ndaizoendeswawo zvangu nani ku Varsity?

Rambwai akasvika pasowe asi zvaakaudzwa zvaisamboenderana ne zvaanga


afambira. Akatozobvapo azvimbirwa zvake nehasha. Ko muporofita
anongotauraka chero zvausingadi kunzwa handiti ndiwe unenge wamuvinga?

Rambwai akaona kuti hope yekuwana amai Nyevero panga pasisina akafunga
kutsvaka umwe musikana wekuroora. Ko shiri ine muririro wayo hairegi zve. Kana
wakadanana nemunhu ane mhuri be prepared kuzosiwa awana zvimwe zviri nani
than you. What makes you think you will be his last bustop nhai?

Mazuva akafamba week rikapera, weekend takaenda zvedu kwaMurambinda na


mhamha ko handiti vaida havo kunorukwa.

"Nhai mhamha ko uncle Joze vanogara kupi uye tikunovaona here nhasi
vatitengere ma sweets ?"
Sisi vekungwarisa vakabvunza amai takagara hedu mu saloon mairukwa amai.
Amai havana kuda kutaura zvakawanda sezvo paive pane vanhu. Vakangoseka
zvavo kwaku dialler number dzaUncle Joze tikanzi titaure navo tese.

Takataura tese kusvika mari yapera uncle vakazofona back vakati vatumira mari
yedu yemasweets and ice cream pa ecocash yamhamha. Takavatenda then we say
our goodbyes takamhanya paive na mhamha tovaudza zvatatataura nauncle. Sure
kutodyawo ice cream? Aah tatakaiguma kuiona tichiriwo nababa.

Amai vakapera kurukwa iyyy ndandisati ndamboona amai vakachena kudaro uye
kunaka. Uhmmm nhamo yakaipa sure .

Takatorana zvedu naamai takunotora mari paecocash, uncle vanga vaisa $50 for us
only for ice cream . Baba vadu vaitadza kana kutipa 25$ ye school fees. Takatora
mari ndokunanga zvedu maMutomba Supermarket kunotenga zvataida.

Patakanga takubuda mu supermarket taka...........!!!!

END OF PART 30

Stay tuned for the next chapter soon .

Thank you for you support for more stories like our fb page Aka Heather stories

Happy reading !!!!

NYEVERO

Chapter 31
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Patakanga takubuda mu supermarket takaita mahweke na gogo mai va amai, ko


isu zvekuti she was not our mother's bilogical mother zvaisatitadzisa kuvati gogo
nekuti ndovataiziva sa gogo vedu.*

Takatomhanya kuvamhoresa zvedu, ambuya vakasimudza Nama vachimurezva


rezva. Aaah was surprised mbuya chaivo? Chiberekerwo mbuya ndanga ndisati
ndambovaona vakafara kudai hameno pamwe vanga vadya mutupa tupa ayas
mouziva here.

"Tambudzai mwanangu ndiwe?"

Ndomashoko ega akakwanisa kutaura ambuya kuna mhamha. Amaiiwo


vakangotambanudza ruoko kuvakwazisawo.

"Makadii henyu ambuya?"

Ndakataura ndichida kutovanzwa zvangu, aah vakatopindura wena ini aah hoo nhai
regai tione.

Amai vakakauchirawo amai vavo asi ndakaona vairatidza kutoshamisikawo


nehunhu hutsva hwamai vavo uhwu. Aah ndakaona takuendwa nesu kumota iya
nesu kumba kwavo wena. Uhmmm ndakangotarisa zvangu ndikati ndezve meso
muromo zvinyarare.

"Aah ndanga ndichida zvangu kuenda kweshamwari yangu kulocation uko


handichatoenda ndozoenda zvangu mangwana after church."

Vakataura ambuya hapana akambokwanisa kuvapindura takangotarisana zvedu


naRue.
Takasvika sekuru varipo uye vakaratidza kufara kwazvo nekutiona . Takagara hedu
tikaona ambuya vauya nechikafu, is this for real? Asi vatiisira poison?
Ndakazvibvunza nekuti pambuya taisaitwa nice nice yakadai. I knew something
was not right somewhere somehow. Takapedza zvedu kudya ambuya vakati tipinde
mumba vane zvavaida kutaura nesu.

Takapinda mumba muya ambuya vakatanga kuchururuka musodzi, ndakatoshaya


kuti ko kwafiwa ndekupizve? Takangovayevawo takamirira kunzwa zvavaida
kuzotaura, ko handiti ndovaitozviva zvavaida kutiudza.

"Tambudzai mwanangu nemi vazukuru vangu ndiregerereiwo vanangu, ndoziva


ndakakutadzirai ndakakurashai chokwadi mwari vakandiranga I will never ever do
that to you again. Handisisina kana mwana pano vese vakatsakatika ne accident."

Ambuya vakambomira kutaura vakuhwihwidza kuchema. Nxaa ndakamboda


kuseka zvangu mashura avaitaura aya. Yes zvairwadza kuti vakafirwa nevana vese
asi ini chakandirwadza kufungwa munhu afirwa kwazvo? Ko dai vana vavo vasina
kufa vaitifunga here? Zvataitambura vaine vana vavo handiti zvavo zvaive
zvakarongeka? Ndakatarisa amai ndikawona vachidzungudza musoro hameno
vaifungeiwo. Sekuru as always vaive vakanyarara zvavo.

"Please my child forgive me, yes I'm not your biological mother but I'm your
mother please. Ndakauya ndikakushaya kumba kwako. I was worried kuti
ndichakuwana kupi mwanangu please come back to stay with us please."

Chembere iyika yaita seine bvere kuface vaisanyara chokwadi vakuda tiuye
kuzogara pamba pavaisada kuti tiuye nhasi? Ndokuona kukosha kwechikorobho
warasa mvura ka uku. Zvino pakadai ndopauno zochishaya chikorobho chacho.

Ndakaona amai vakukosora kosara I knew she wanted to say something, before I
knew it Rue anga akutopindura ambuya. Asi zvaakataurawo for sure aiwa airevesa
zvake, ko chokwadi chorwadza hacho asi shoko harivhikwi kana ratopinda
rapinda.

"Gogo saka imi zvikureva kuti makutida now nekuti hamusisina vazukuru handiti?
Ko pataimbouya pano maitidadira wani as for me handisisiri muzukuru wenyu
mbuya vangu vakafa." Rue kakataura nekubva katosimuka kuenda panze.

Ambuya vakaudzwa chokwadi chorwadza. Ndakaona kuti Rue kaiva kakajaidzwa


hako asi kaitaura zvazviri. Ndakaramba zvangu ndakagara waiting for mom's
respond to her mother.

"Mhamha ndine hurombo nekushaika kwemunin'ina wangu ne brother yangu, I'm


sorry for the loss. May their soul rest in peace."
Amai vasati vapedza kutaura ambuya vagoiti mhere kwetsu. Ndakaona amai
vakuburitsawo misodzi, vakazonyarara zvavo ambuya vagotanga kudemba demba
neye forgiveness.

"Amai ini ndakakuregererai kare kare, handina kana chigumbu nemi. I'm so
greatfull to you mom nekutondichengeta kwamakaita. Uye dai ndakakuteererai
ndisina kumhanya kuroorwa pamwe dai nhasi ndiri umwe munhu. Amai kwandiri
kugara I'm very very comfortable with it. Musanetseka zvenyu amai handingauya
kukupai mutoro uyu kwandiri ndakagara zvakanaka zvekuti. Plus Nyevero akuda
kunyora final grade 7 exam yake soon saka hazvizoita kumuchinja chinja chikoro
amai. Asi pano tinenge tichikushanyirai zvedu amai."
Ndakafara kuti vaita havo amai aah ndaisada kuchinja chikoro sure.

Ambuya vakanga vasisina choice than kutongogashira zvanga zvaapo, sekuru


vakangokwanisa kutenda nekuuya kwatanga taita kuzoovaona. Takaoneka zvedu
toda kudzokera . For the 1st time kurongedzerwawo grocery nambuya.
Vakatiperekedza kusvika pama comb ekwedu tikarova pasi zvedu.
"BABA MUKASAGADZIKANA NDAONA MAFA PAMBERI APO
NECHIRWERE CHESHURA MATONGO."
Rambwai mashoko aya aigarouya mupfungwa dzake akanga amaudzwa
kumupositori kwaakaenda paya achida kunzwa nezva mai Nyevero. Shasha
yakazvibisa mupfungwa ndokunanga zvake kubhawa.

Rambwai akanga akumwa doro zvaaisaita, stress yanga yakushanda naye. Akanga
akuita hiring and firing pamadhirezi apa kubasa anga atova pa second warning
yekurovha kubasa uye kunonoka. Zvekuti kune mukadzi bofu kumusha dzanga
dzatova ngano.

Marwei akaona kuti murume anga atomufuratira. No calls no visit apa foni. Aive
ogara achiyeredza misodzi zvekuti matama aive oita kunge pachitubu panogara
pakanyorova.

Chikafu chaifamba mumba mari ichiperawo amai vamarwei vakanga vane stress
zvino. Shasha yanga yofunga kuti zvino kuti vaizorarama sei kana mukwasha
akasauya pamba apa vanga varambidza mwana kunofudza mombe
kwavamukurungai wavo.

"Nhai mwanangu ko wadi wati munin'ina wako angoenda hake kunofudza mombe
dzamwene vako sezvo mukwasha asiri kumbofona uyu?" Amai vakabvunza
mwana wavo uyo aingofinyinyika kunge huni nyoro iri muchoto. Marwei akatoona
kuti zvaive nani munin'ina wake anoshanda hake vagowana chekubata pamba.
Saka akati aizoenda naamwene vake kana vadzoka kuzoovaona.

Mai Rambwai vaiswera nadzo dzemuswe, nekunetsa kwadzo Chembere yaiita


seichachema nadzo mombe. Musi uyu vakakasira kuvhara sezvo vaida kunoona
muroora.
Vakasvika vakaudzwa good news nemuroora, mufudzi wemombe anga avapo.
Saka vakaenda zvavo vese kuitira azopota achibikirawo Chembere. Marwei
akatofarazve muromo 1 wanga watapudzwa mumba.

Joze sezvo yaive weekend akaenda kunotora dress, handbag ne shangu dzaaive
atumira from China. Uye hembe dzevana neshangu dzavo. Akazoenda zvake nemu
foodlovers achitsvaka zvaaida odzokera kumba kwake.

Takasvika zvedu kumba zuva rokutovira, hapana anga amboti ataura neumwe
nezvekwatanga tabva.

"Nhai Rue zvaunotaura unozviwanepi iwe?". Amai vakabvunza Rue vachiseka


zvavo aah izvo zvazvaita Rue zvaisekesa dai kusiri kuti mbuya vavataura nyaya
yavo tese tiripo vaiti pamwe pane amuudzira Rue.

"Aah mhamha zvekuitwa ma toys nevanhu bodo, vakuda kuita sevanotida now
ambuya nekuti havasisina mwanaka. Manje ini handitombodi zvangu kana kugara
navo."
Ndi Rue uyo akapindura achitogara zvake pasi.

"Aiwa vanangu all things works together for good, dai mbuya venyu vasina
kundidzinga pamba pavo pamwe dai nhasi tisingazivi uncle Joze. Kudzorera
ndekwa mwari vanangu chero munhu akakutadzira sei musamuvenga nekuti
anogona arikutokuyambutsa to your destiny."

Sure amai vakataura zvandakafarira Rue haana chaakadaira akaramba akanyarara


zvake.

Amai Nyevero vakaenda zvavo kubedroom kwavo vakatanga kuscroller


manumbers mu foni mavo. Dhuma dhuma ne number yaRambwai. Vakambofunga
kumufonera kuti ataure hake nevana vake. Asi umwe moyo wakavati siyana nazvo.
Vakazofonera mudiwa wavo vaida kumuudza zvekuenda kwavanga vaita kwaamai
vavo uye zvazvaitikako. Asi foni ya Joze yakashaya akadaira. Vakazamazve
rwepiri asi haina akadaira vakazosiya havo voti pamwe ari mu meeting.

Ndakabuda zvangu mu kitchen ndichida kunotora madzodzo kuti ndivese moto.


Ndichingoti budei ndaka, ,,,,,,,,,,,,,,,,,,!!!!!.

END OF CHAPTER 31

STAY TUNED FOR NEXT CHAPTER SOON

LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES AND
SHORT STORIES

HAPPY READING ,LOVE YOU ALL!!!

NYEVERO

Chapter 32

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Ndakabuda zvangu mu kitchen ndichida kunotora madzotso kuti ndivese moto.


Ndichangoti budei ndakaona mashura chaiwo ndakamboda kutiza kudzokera
mumba. Pandakatanga kudududza ndakaonawo amai vachibuda mu bedroom mavo
she was shocked to see zvandaionawo izvi.*

Rambwai zvaakasvika kubhawa shasha yakatenga gondo yaro ikanogara mukona.


Gondo rakaramba kudzika akagaya how happy he was with his family before
atanga zvekuda kutsvakana nezvakawanda. Akangosimuka nekunanga kuma comb
eMurambinda kana gondo raaida kumwa akarisiya rakadaro.
Comb yakakasirawo kuzara ikarohwa yakananga Murambinda, Rambwai akadzaka
paMamunyadza paya oguridzira akananga kumaraini kwavo. Instead yekuenda
kumba shasha yakananga kwamai Sharon. Sezvineiwo akawana mai Sharon vasipo
akagovamirira maminutes akaita ma hours kusvika akuda kutobvapo
ndopaakazovaona vachiuya vakatakura zvavo ma vegetable nemuboora kuratidza
vaibva ku garden.

"Makadiiko babaNyevero, kwakanaka here kwamatitsika nhasi?" Amai Sharon


vakakwazisa Rambwai vachigara havo pasi kuti vanzwe zvazvasvitsa murume uyu
pamba pavo.

"Kwabviwa kwakanaka zvekuti amai kana kuno muchifara."


Rambwai akapindura achigadzirira kutaura zvaanga afambira pamba apa chaizvo.

Amai Sharon havana kuzopindura zvekare vakakamirira kunzwa zvaida kutaurwa


nevakuru ava. Sezvo Sharon anga aenda kunofudza mbudzi pamba paive pasina
umwe munhu. Uye Rambwai ainyatsoziva kuti ba Sharon vanogara joni saka
zvaaida zvaitobudirira.

"Pano ndavinga chinhu chimwe mai Sharon, dakuti mundipe number dzamai
Nyevero uye mundiudze kwavakugara." Rambwai akataura akatorova maserious
kani kunge munhu arikugerwa anotya kurumwa.

Amai Sharon vakatanga vafunga how Rambwai treated mai Nyevero, uye kuda
kuvhiringa kwakuda kuita upenyu hwavo uhmmmm vakanyepa kuti vanga vasina
number uye vaisatomboziva kwavakaenda.

"Ndakatofunga makugara navo ku Chivhu kwenyu uku baba Nyevero."


Vakazotsinhira mai Sharon.

Rambwai akaona kuti akaita zvekutamba number hayaibuda.


"Imi amai imi musada kutamba neni I'm not here to play handitika. Mai Nyevero
vakaenda kwavaienda vachibva pano kasirai kundiudza kwavari." Rambwai
akataura izvi achisimuka paaive akuenda kwaive naMai Sharon.

Akasvika akaburitsa banga riya rinonzi okapi riya ndokuvanengedza naro.

Mongozivawo vanhukadzi kutya kwatoita, mai Sharon vakataura kwaive naMai


Nyevero sezvo vanga vaudzwa neumwe wavo paakarara kumba kwavo. Asi
vakada kuzofonera mai Nyevero pakangobva Rambwai foni yavo yaingoti number
busy kusvika vazosiyana nazvo.

Rambwai zvaakabva pamai Sharon haana kuzombomira. Aita kufamba


achinzunzutira kuti akasike kusvika kuchakachena. Sezvo aisanyatsopaziva
aifamba achibvunza kusvika apawana zuva rakutorereka.

"Rambwai ukuitei pano, and how did you find this place?"
That was the 1st time yandakanzwa amai vachideedza baba nezita ravo repachitupa
pamberi pedu. Rue naNama vakabva vabudawo kuuya panze paya. Nama
nehumwana hwake hapana kana chaizikanwa akatomhanya kunombundira baba.

"Makadiiko baba?" Ndakavakwazisa ndakatomira kwandaive aah ko kana baba


musina hunhu vana vanoshaya respect nemi ka. Ivo kutodairawo kani aaah
kusanyara zvavaitiradza mugomo vaisaziva tiri vana vavo? Nxaa baba vasina
kutokwana ungarase chiri mumaoko nekuda kuombera chausati wapiwa?

Hezvo aripi mwana wacho mukomana wavakati vanoda? Ko kuno vakudeizvi


kupfambi dzamai Nyevero? Ndakanzwa hasha musi uyu ndakatarisa Rue ndakaona
kuti pane zvaigayiwa zvekutaura, Nama ndiye anga atova mumaoko ababa.

Rue as Rue haapererwi, akatanga aseka zvake zviya zvoitwa uchisvotesa munhu.

"Baba kana maifunga togarira nhamo kunge bhazi reNyaradzo rwendo rwuno
makairasa, kana ndiri seni handina baba hameno vamwe."
Anga apedza navo Rue akabva atonogara zvake mumba.

Ndakamboda kuseka aah Rue anga azvifunga sei izvozvi? Asi chokwadi type yana
baba iyi ndovanhu vanoda kuzo complainer hanzi gonye randiitira tsvina iwe uriwe
warisvina Nxaa! Ndakangomirawo ndakazembera madziro kuti tinzwe zvavaida
kutaura father vedu ava. Vaifunga vatikaurisa ivo vaitotiyambutsa zvedu.

"Please my wife and my kids forgive me for what I did to you. Ndoziva
ndakakuitirai zvisingaregerereki asi ndiregerereiwo. I promise to change and to
take good care of you please please !!"

For a moment I thought maybe I was dreaming. Ndakazvitsunya tsunya ndikaona


aiwa ndakatosvinura. Zvandikunzwa it's true, ndisati ndapindura zvandaida kutaura
chero amai vanga vasati vapindura ndakaona Rue adzoka.

"Imi imi mune vana here zviya imi? Wamuri kuti my kids ndiyani? Hook makutida
nhasi nekuti chimukadzi chenyu chaabofu nhai? Ko zvamuri kuti you will take all
of us monotichengeta pai imi makapisa imba? Please ini hangu musandiverenga
I'm not your child anymore and.....!!!?

Rue haana kupedza kutaura agamwa naamai avo vakadaira, "Rue mwanangu don't
speak to your father like that handiitika? He is still your father nomatter what he
did to us you must not stop loving him as your father handiitika?"

Takangogutsurira musoro zvedu but inside aaah aaah baba vakadai nikisi, nadha
kurambira pachiputukesi.

Amai Nyevero for a moment vakambonyarara, yes vaishuvira kuva nevana vane
mutupo umwe asi zvakanga zvakona n'anga murapwa achida. Rambwai anga
abuda mumoyo mavo zvachose. It's not all things that we wish in life zvinoitika
zvimwe zvotoramba uye mwari ndovanoziva why zvichidaro.
"As for you Rambwai I don't want anything to do with you anymore, kana uchida
kuzoonawo vana tichazotaura about that. One more thing.....!!"

Amai havana kupedza kutaura takanzwa maoko kuti bu -bu-bu kuombera.


Pandakati cheu waniko ndiUncle Joze. Takamhanya kuvambundira kana Nama
aive akabatwa na baba akatsudunura achimhanyira Uncle. Tatisina kumbonzwa
kusvika kwavo nemota uye kuti vanga vane time yakadiii vachinzwa.

"Hello hello my angels."

As always uncle Joze vakatimhoresa vaine mufaro vakaburitsa ma chocolates


muhomwe mavo vakatitambidza umwe neumwe yake. Takaenda tese paive na
mhamha vakakwazisana zvavo, baba vanga vangoudzvura maziso kunge kamuroi
kayedzerwa.

Rambwai achiona Joze haana chaakaita kunze kwekuudzvura maziso because he


didn't believe what he saw. Joze aive boss waRambwai he was the owner weshop
yaaishanda. Handiti moziva kazhinji mushandi wemu shop hombe dziya unogona
kuziva muridzi asi iye asingakuzivi. Ko iye akauya pa company pake anange
avingaka zvebasa kwete kuona vanhu.

"Ummm kuchena here uku Tambu wow wow marukwa zvakanaka mai mwana."
Takatarisana na Rue tikatanga kubwibwinyika tichipinda zvedu mumba taida
kunodongorera nepa window firimu remahara iri.

Takadeedzwa na Uncle tisati tapinda mumba. Vakati totora zvinhu zvaive mumota.
Takagoita kunouya takaguguchira ma boxes e pizza tunonaka utwu neumwe tuma
khaki bags twanga twakanaka so ndokuisa hedu mumba.
Baba havana kana kuoneka takazongoona vanyangadika, hameno vonangepi sezvo
kwakwakutosviba. Hanya nani chidhoma chekwaGutu isu takamborara mugomo
wani vanonorarawo chero murwizi .

Rambwai akabva apa aine kutya uye kurwadziwa. One aitya kuti boss vakazviziva
kuti ndiye aive murume wa mai Nyevero basa rogona kupera. Two moyo wake
wakarwadza kuti Tambu akutoenda neumwe murume nekuda kwekusagutsikana
nezvawapiwa na mwari.

Akaita seachachema neshungu instead yekuenda kumba kwake akaenda kwamai


vacho.

Takasara tikapiwa zvedu zvatanga taigirwa naUncle. Veduwee ndandisati


ndambopfeka hembe yakanaka kudaro netubhutsu tune ma heels.

Ndini here Nyevero mwana wekumakomo aipfeka dzekukumurirwa akupfekawo


label aaah mwari uyu akanaka vedeuwee.

Kuzoti amai havo yowee ungati vakazvarwa nayo neiyo weave yavanga varukwa
uhmmmm. Takazobvisa zvedu kwakupfeka dzedu dzemazuva ose takuenda
kukitchen. Ko pizza taiizivirepi? Takatanga kuizivawo musi uyu .

Uncle vakazotiudza vavaita surprise visit vachida kuona havo zvazvarukwa


mhamha. Takabika tikadya zvedu tichifara isu vana takanokasira zvedu kurara
takasiya amai naUncle vachitaura. Musi uyu takanorara mu room medu ko
pfungwa dzepwere handiti midziziva? Eh zvamafunga izvozvo
ndozvatakafungawo kkkkk.

Rambwai zvaakasvika kumba kwamai vake akawana varara. Shasha yakangonanga


ku room kwayo sezvo kwaive nemubhedha wake. Ko aizivei kuti ndomukurara
mainini vake munin'ina wamarwei? Semunhu aive ne stress akazoyeuka bako
anaiwa avawo mainini pamwe vaizvidawo hameno.
"Tambu sha dakuti utange ma lesson e driving patobva kunoona vabereki vangu
next week, unobva watanga ma lesson pama shops apa."
Ndi Joze uyo aitaura nemudiwa wake.

Amai Nyevero vakazoudzawo Joze zvekuona amai vavo kwavanga vaita. He was
happy kuti at least ane kwekunobisa pfuma nekuti aisada kungotora mai Nyevero
as if arikutora advantage yavo.

"Ko nhai dear baba vevana vako pano vauya sei? It's not like I don't want him to
see his kids but at least I have to know about it." Joze akabvunza.

Amai Nyevero vakataurawo kuti she was still shocked how he find out about her
where about. Vakazotaura havo dzimwe nyaya vachiseka zvavo kusvika vaenda
kunorara.

Joze anga azviudza kuti haasi kunorara naTambu until arooora. Aisada kuita
zvinozoita Tambu amu doubte akakumbira blanket hake kwakunorara mumota
make. Eeh nyama sometimes inokuudza zvekuuita but as a human being you must
have self control. Kana bible rotaura about self control it's gift of the spirit. Pane
vasina here? Kkkk OK pray for it kana usina.

Amai Nyevero vachingopinda mumachira vakabva vafonerwa namai Sharon.


Vakakurukura havo nezve upenyu uye twese twese, hapana kakasara. Sezvo nguva
dzaive dzafamba vairi ava vakaita ma goodbyes avo vorara zvavo.

Ndakati ndiri kuhope ndichitorota zvangu same dream yandakaita previous day.
Uhmmmm hope idzi dzikunyatsorevei chaizvo?

Ndakapepuka ndakazonyatsovunduka pandakaona pa side pangu paka ...........!!!!

END OF CHAPTER 32

STAY TUNED FOR NEXT CHAPTER SOON

LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES


LOVE YOU ALL ...HAPPY READING

NYEVERO

Chapter 33

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Pandakapepuka ndakazonyatso vhunduka pandakaona pa side pangu pakagara


chinhu chaiita kunge munhu. Ndakaita kuridza zimhere ndakafunga kuti pamwe
uncle Joze ndovatipindira.*

Amai Nyevero pavakapedza kutaura nasahwira wavo nguva dzadzatova kuma


12am semunhu ainamatira mhuri yake everyday @12am, musi uyu vakafunga
kunonamata vari ku room maive nevana vavo.

"Chii Nyevero, waitwa sei mwanangu?"


Amai vakabvunza ko ndandamboona kuti ndivo here? Ndakaona kuti pfungwa
dzangu dzadzamhanya kusiko sure.

"Mom ndachichirota hangu, it's just a nightmare." Ndakapindura hangu amai


vakazondiradzika ndikarara hapana chakazoitika.

Makuseni takamuka amai vatopedza kuprepare zvese kuti tiende kuchurch.


Tatakutoenda ku AFM sezvo iriyo yaive padhuze.

Takaenda zvedu takachena nezvipfeko zvinyowani. After church uncle Joze


vakaenda nesu kwaMurambinda tikatengerwa zvataida ndokudzoswa zvedu
kumba. Ivo havana kuzogara sezvo vaiti varikuda kupfuura neku one of his shops
mu Chivhu.
Rambwai akamuka stress yese yati hwaa ndopaakaona inga arara nemunin'ina wa
madam vake. Ivo mainini vacho vanga vongonyara nyara kunge imbwa yapinda
mu bus. Vairi ava vakawirirana not to say a word to anyone. Mainini vaive under
age Rambwai aitosungwa zvikangobuda.

Chero vaive zvavo under age vavangova zuru rakapinda nyoka kare. Ko vana
vemazuvano kana ka grade 7 kanogona kukuudza zvekuti iwe wane 10yrs mu
marriage hauzvizive. Hameno kuti vana tete havacharaira vana here? Ko imi vana
amai motadza nei kuraira vana? Aah hameno chokwadi.

Rambwai haana kuda kuonekwa na mai vake akamirira kuti vabude iye ozobudawo
onanga Chivhu. Kumba kwake anga asisina kana basa nako hameno aifunga
mukadzi wake arikudiii nehubofu without love yemurume.

Ndozvonetsa murume wekutorera umwe izvozvo, kana apedza nezvako aah


anodzokera kumba kwake kana kutsvaga zvimwe. Iwe unenge watova mutoro
kwaari.

Mishonga yawaibata uchaiwanepi wabofu nhai marwei? Mbuya godobori votoita


loss customer yavo haichauya.

Joze akasvikopiwa mawarning aRambwai. Haana chaakataura akati aizodzoka


omuona then kana asisade zvake basa osiya than kurovha zvakadaro. Ko aizivei
kuti Bro Rambwai ndiye baba Nyevero?

Mai vaJoze vakatombotsvaka munhu kuti agadzire paruvanze, aiwa pamba


pakanga pachena. Vana vamwene dai vachizoramba vaine rudo rwakadai
nevaroora vavo. Uhmmmm hameno chokwadi.

Mazuva akafamba zvawo, takatopedzawo kunyora ma exams edu. Kuchikoro


tatakuonekwawo sevanhu pane vamwe, munhu mutema akaoma veduwee anokuda
uine something. Friday varidzi vepataigara vakauya havo kuzoona pamba pavo.
They were pleased even ku garden aiwa vakafara vakatozodzokera zuva rovira.

Joze akanga anonokerwa nekuenda na Tambu kuvabereki vake. Shasha yakabva


kubasa ndokusvikopfurira yakananga Buhera . As usual akatenga tonaka
twekuigira vana nemudiwa wake. Asi Joze anga akashinga sure unomuwanepi
murume anouya orara hake mumota achibwaira bwaira asiya king bed yake
mukore uno?

Shasha yakati yafamba yakanana Beatrice uko foni yakatanga kuringa. Akatarisa
akaona ndi Garden boy wake.

"Helo sir ,pane mukadzi ane mwana ari pa gedhi ati arikuda kukuonai." Akataura
mukoamana uya.

"Okey."
Joze akapindura nekurova U-turn, asi ainetseka kuti mukadzi ane mwana abvepi?
Munhu waaitofungira I x wife yake but aishaya kuti audzwa nani pamba pakagara
nekuti pavakasiyana aigara ku Zimre park.

Uya mukadzi akanzi hamupindi kusvika boss vauya. Akangogara hake semunhu
anga asina choice. Apa iye number yemba anga apiwa neimwe shamwari yaJoze
yaive isingadi kuti Joze aroore mai Nyevero nekuti aiti vane vana vakwawandisa.
Saka apa anga auya kuti anyengerere murume.

Joze akasvikowana sure zvaanga achifunga ndivo apa kwanga kwakutovira.


Akasvikopaka mota kunze kwe gate semunhu aive nerwendo rwake hake .
Achingodzaka mumota mwana akabva amhanyira baba vake apa tsvina yanga ine
mwana ko idzo hembe dzaaive akapfeka. Hawaimboti mwana wa businessman
iyeye?
Joze akabatikana nezvaive zvakaita mwana wake. Moyo wekuti mwana wangu apa
ariye ega aive mwana wake. Asi chekuita anga asina ko ndoyanga yatova 1st time
kumuona since amai vacho zvavakaenda.

Vakakwazisana havo Joze akati ane kwaaimhanya haasi kumira. Sezvo x uyu anga
atoudzwa kuti Joze ari kutonoratidza musikana kuvabereki, aida kutoti asaenda.

"Aaah nhai baba Tino ko mungataure nemwana muri panze here? Moda
kunyanyoendepiko kwakosha kudarika mwana wenyu wandauya naye kuti muone
uyu?"
Mukadzi uya akataura achitovhura gate kuti apinde. Tino ndoraive zita remwama
wa Joze.

Vakapinda havo mumba muya, haaa mukadzi achiona midziyo yaive mumba umu,
mumoyo akati aizobva ahwinha murume back. Joze aitoda kuti amai ava vataure
zvavavinga kuchiri kuchena vafambe fambe zvavo.

"Saka nhai pano mavingei? I don't remember inviting you here."


Joze akataura akamirira aisatoda kugara pasi.

"Ndauyaka nemwana kuna baba vake ati arikuda kukuona, uye mwana haana
hembe as you can see hatina pekugara saka tauya pano."
Vakapindura vachibata bata murume.

Joze akangoenda ku bedroom kwake ndokuuya akabata ma 100$ hameno mangani


anga akawanda.

"Right pano hausi kuzogara handitika, kana iri nyaya yemwana it's up to you kana
uchida womusiya pano iwe woenda. Or woenda naye I will do everything for my
child."
Joze akataura akutoenda ku door sezvo aida kubuda.
Mai iya nekuda mari kwayaita plus aida Joze asaenda kumusha yakagaya kusiya
mwana iyo yoenda yakati saka ndakusiya mwana pano ndozopota ndichiuya
kumuona, aifunga Joze achati gara hako. Izvo kwete akatowonekwa kwakunosiwa
abuda gate. Chakazonyanyomurwadza imari yakanzi dzosa sezvo wakusiya
mwana.

Shasha yakazodemba kuti dai yati ndoenda hangu nemwana. But it was too late dai
dai haibatsire. Akatondunduruka odzokera kwaanga abva.

Ngatimboonai mai Tino ava vaive munhu akaita sei. Mai Tino munhu aida
kurarama upenyu hwepamusoro ma days avaroorwa naJoze. Yes Joze aiwana but
anga asati ane ma business zvaave now. Joze munhu aive nevabereki vane mari
even ma siblings ake aive nemari asi aisada zvekuvanetsa aida kuzviitira zvinhu
zvake ega.Ndozvakatuma mai Tino kuita gumbo mumba gumbo panze kusvika
vazorambwa nemurume. Vakatanga kugarawo nedhara ravaipengesana naro ma
days acho mhuri yaro yaive kunze kwenyika.

Pakadzokawo mhuri yedhara vakatanga kugara vega semunhu anga asina vabereki.
Pavakanzwa kuti Joze akuda kuroora uye ane mari ndopavakafunga kudzoka but it
was too late. Vanhukadzi ngatigutsikanei nezviri mudzimba dzedu. Chausina
hauna kwete kuti nekuti ngana anacho neniwo, aiwazve rarama nezvaunazvo or
work for it some things are worth working for. And some things are worth waiting
for dai vakagona kumirira nguva handiti dai vari muupfu so? Be patient asikana
woye.

Joze akatora mwana wake ndokumhanya neku Edgars kunomutengera mbatya


nebhutsu, akarova mota akananga Buhera. Akagara afonera mudiwa wake kuti
aizopfuura achisiya zvinhu zvaanga avatengera oenda kumba zvizhinji akati
vaizotaura asvika.
Pakaenda varidzi vepamba apa ndakakumbira mhamha kuti vafonere Sharon
timbotaura hedu. Ko airtime vanga vakugara yakazara mu foni aitoshaikwa ndewe
kufonera. Takaita zvedu makuhwa na Sharon pa foni akandiudza kuti baba
vavasisambouya kumba kumukadzi wavo. Asi aiti madziro committee yati
vanenge vakudanana nemunin'ina wamainini ainzi akuugara kwambuya apa she
was only 15. Was not suprised at all nekuti baba hunhu hwavo hwaitokunda ngoma
kurira. Hameno ndakangoti ndoinonzi what comes around goes around. Takaita
zvedu our goodbyes kwakukata foni ndoenda mumba.

"Mom you won't believe what I just heard, hanzi baba vakudanana nemunin'ina
wemukadzi wavo uya."
Ndakaudza amai vakapwatika zvavo nekuseka kuzoti Rue hatichatauri. Neniwo
chipfuva chaiva charemerwa. Amai vakazotiudza kuti vaida kunoona vabereki
vaUncle Joze zuva raitevera, isu vaizonotisiya hedu kwambuya tichivabatsira hedu
basa vozotitora vakudzoka.

Ndakamboda kuti amai tosara hedu pano nekuti ummm kwambuya ndandisina
kukujaira . Before I knew it Rue anga atodaira.

"Umm mhamha ini hangu ndosara pano handidi kunosara na gogo."


Akapindura Rue, amai vakatinyengerera uye vakatikumbira kuregerera gogo
takazongobvumira hedu.

Takabika zvedu tikadya tichifara. Takati takuda kutonorara takaona mota yasvika
pamba uncle Joze vavauya asi vaive nekamwana kasikana zera raNama mumota.

Takavakwazisa nekupinza zvinhu mumba , amai vakati titore mwana anga auya na
uncle tinotamba ku bedroom kwavo sezvo vaida kutaura na uncle.

Joze akaudza mai Nyevero situation yaanga asangana nayo. Mai Nyevero mumoyo
vakatofara kuti atleast mwana waJoze avapowo vaizomuchengeta pamwe nevavo.
Joze haana kuzomira akapa mai Nyevero 20$ kuti vazoshandisa transport kuuya
kwaMurambinda ozomutora mu township after asiya hake vana sezvo vanga vati
vachanovasiya kwa mai vavo.

Tino kaitaura kaive kaRue part 2 chaiko takaudzwa zvese zvekwavanga vabva
,zvese nekuti uncle Joze ndivo baba vake. Ko mwana mudiki hasiiriri kana otaura.

Takatosvotwa pakauya uncle vakutora Tino kuti vaende. All along I thought ancle
Joze havana mhuri. Amai vakazotiudza how uncle Joze and her wife separate.
Mapudzi anowira kune vasina hari sure. Amai vakazonamata tikarara zvedu.

Amai Nyevero hope hadzina kuuya vakufunga kuti ko kana iye Joze arikunyepa?
Asi vakazongoti vaizoona nekufamba kwenguva sezvo pasina zvizhinji zvavaita
naye.

"Kwakanaka here nhai Mhazi kwamafamba usiku nemwana?" Vakabvunza amai


va Joze iye akavatsanangurira zvazvaitika.

"Kana asiya zvake muzukuru wangu zvakatonaka ndotowana anondicherera


zvangu mvura pano." Vakatsinhira amai va Joze, sevanhu vavaswera vakamira
kugadzirira muroora havana kuzombotandara nemwana wavo musi uyu
vakatoenda nemuzukuru wavo ku bedroom kwavo kunorara.

Kunze kwakakasira kuedza musi uyu takageza nekuchena chena zvedu toenda
Murambinda netara. Amai vakatirongedzera hembe dzekuchinja ko afamba
apotaka hauzive zviri mberi. Amai waizomboti ndivo here iiiyyy vavakachena
kani. Ndopandakaona kuti baba vaishungurudza amai chokwadi. Apa waitoti
hameno kamusikana kepi ndakangoti pamwe ndozvinoitwa panoenda munhu
kunoona vabereki vemurume. Kkkk ko isu tatakuziva ka nekunzwa mashamwari
Kuchikoro uku, dzimwe nguva taitonodongorera kana mai vaina uncle kuti tione
nekunzwa zvavanenge vachiita.
Amai va Joze vakamukofonera sahwira wavo vanova mai va mai Nyevero kuti
vauye kuzoona muroora. Sahwira wavo akati aizouya apedza hake basa rake
repamba.

Takasvika kwambuya suprise chaiyo, amai vanga vasina kumbovafonera kuti


tikuya. Aaah ndakaona kuti ambuya vavachinja unhu sure takatambirwa nemufaro
tikapiwa zvedu zvekudya.

"Amai ndati nhasi mumboswera nevazukuru venyu ini dakumbonona


kwemukwasha wenyu ndodzoka ndovatora ". Amai vakataura vakutosimuka kuti
vaende.

"Inga waita hako mwanangu ufambe zvakanaka."


Ambuya vakapindura.

Mai vamai Nyevero vakatotya kubvunza kuti mukwasha ku Chivhu here sezvo
vakanga vaudzwaka paya kuti akarambwa. Ko vaivozivei kuti mukwasha mwana
wasahwira wavo?

Amai pavakanga vapa gate kuti vabude Rue ago..............!!!!!!

END OF CHAPTER 33

STAY TUNED FOR THE NEXT CHAPTER

LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES

HAPPY READING .....LOVE YOU ALL!!

NYEVERO

Chapter 34
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Amai pavakanga vapa gate kuti vabude Rue agoti kudeedzera kuna mhamha
hanzi muti uncle Joze vatitengere ma sweets. Aah kuita mweya wedzvimbo chaiko
wekuti munhu akangopinda mu bus or mu comb akutodeedzera airtime nepa
window iye anga aripo panze akarega kutenga. Amai vakanga vatiti tisataure
anything kuna gogo vaida kuzovaudza about uncle Joze at the right time .*

Amai vakangoti okey nekutoenda havo, ambuyawo havana kumboda kubvunza


zvakawanda hameno dai vakabvunza taizovatiii.

Vana mbuya vaive nemunda kuirrigation, takasara ndokuenda zvedu kumunda


navo tichiyemedzwa haikona. For sure ndakaona kuti mbuya vanga vachinja she
was no longer our old granny we use to know. Love yavanga votipa uhmmm
ndakangoti mwari dai zvikaramba zvakadai.

Mai va Joze vanga vagadzirira zvese vapedza muriwo wekuti muroora agobika
vaive vatengwa rino ziJongwe. Tino kaiva kapfekedzwawo kachena haikona.
Chokwadi vanga vakuda mwana wavo aroore hameno pavaizoziva kuti Tambu uyu
ane mhuri vaizozvitambira sei amai ava.

Joze akabuda onotora chiponda moyo chake kusaloon sezvo vainokamwa kamwa
musoro. Zve make up vanga vasati havo voita madam, plus uchinoonekwa kumba
kwevanhu hauise make up yedu yemazuvano iyi ye colour blocking. Aah amwene
vanotokubisira ma marks uchiri pa door. Kungoti mai Nyevero vaive ne natural
beauty kani vakangozora tuvanishing cream ne vaseline pamuromo along side
short weave yavo aah waiti asi vadonha mundenge kani?
Mai Nyevero vanga vakarova zvavo iya inonzi simple but smart. Ko kuchena haisi
make up kana kupfeka mazi heels or trouse aiwa. Vavakapfeka dress ravo rakabva
China ne flat shoe yacho along side handbag yakafanana nedress.

Joze akasvika akatora mudiwa wake ndokuenda. Ndozvakanakirawo kuroorwa


kepiri unenge wakuziva tsika kkkk. Amai Nyevero vakasvikotambirwa nemufaro
vakanzi vagare pasofa asi ivo vakagara zvavo pasi sezvo paitova ne carpet,
vakaburitsa kazambiya kavo ndokuisa pamusoro kuti vasaviwa.

Ka Tino kakamhanya kakanogara pamakumbo amai Nyevero. Ko handiti anga


ambovaona kakatanga kubvunza, "Ko Nama ayipi?"

Mwana mudiki anogona kungokumakisa sure . Joze akaona kuti pakuda kushata
apa. Akati Tino aende panze anotamba asiye vanhu vakuru vambotaura.

"Ndewepiko Nama nhai mwanangu akutaurwa naTino?" Vakabvunza mai va Joze


vachiseka zvavo.

"Aah zva Tino here mhamha kamwana kanogara panext pemuroora wenyu uyu
kaakaona nezuro patakapfura nako." Akapindura Joze akugadzirira kupa
maintroduction.

"Eeh, chiregai tombosvika pakuzivana, baba na amai uyu agere apa uyu ndiye
musikana wandaikuudzai nezvake wandooda kuroora zita rake anonzi Tambudzai,
Tambu ava ndo baba na mai Matsvai ndivo vabereki vangu ava."
Joze achipedza amai Nyevero vakasimuka ndokupfugama voombera vabereki
vaJoze.

"Tafara nekukuziva muroora, aah ko kumusha mobvepiko uye munoerei haana


kutaura mukomana?" Vakadaro mai Matsvai.

Nekusaziva kuti Mai Matsvai na mai vavo vaive ma friends mai Nyevero
vakataura surname yavo uye mutupo we Moyo.
"Unoreva Mapako iyo yeku irrigation here nhai mwanangu?" Vakabvunza amai
vaya.

"Ndikoko chaiko amai." Tambu akapindura, ko aizivei?.

"Aah zvakanakai mwanangu kungoti Mapako yakakura mu irrigation umo. Ndina


sahwira wangu kuirrigation uko, imi mobva papi chaipo?" Amai vakaenderera.

Baba vaJoze vaiziva kuti mukadzi wavo shamwari yavo anonzi mbuya Kupa, asi
vakanyumwa kuti Tambu anogona kuva mwana wasahwira wemukadzi wavo.
Vakakasira kupindura Tambu asati apindura.

"Nhai mai bhoi madii mapa muroora mvura kukupisa uku mozouya motaura
nyaya?"

Chembere yakasimuka hayo yonotora mvura mu fridge ndokuisa nayo. Baba


pavakasara vakazevezera mwanakomana wavo munzeve kuti agochinja nyaya kana
mai vake vadzoka.

"Mazoti papi zviya muro........!!!"

Havana kupedza vaganwa nemwana wavo,


"Nhai mhamha ini ndane nzara madii mati muroora wenyu anobika uyu?"
Joze akataura achitosimuka pasofa paaive.

Amai havana kuita nharo vakanoratidza muroora zvekubika ivo ndokudzoka havo
kwakugara vachiona TV nemurume wavo. Uyu Joze akaenda ku kitchen
kunotandadza umwe wake achibika. Mai Nyevero kubika nemagetsi vaigona havo
semunhu aimboshanya kuchirungu vachiri na Rambwai.

"Ko why mavhara vhara amai paya nhaiwe? Are you hiding something?"
Amai Nyaevero vakabvunza Joze iye akavaudza chokwadi kuti baba chete
ndovanoziva kuti she was married before, amai vanga vasati vakuziva.
Vaizovaudza neimwe nguva not now.
Amai Nyevero vakabvumira havo but vanga vane stress. Kunyepa was not her
portion. Vakazotaura havo ma plans avo ekuroorana.

Joze akaudza Tambu kuti aida kumutora ne white wedding for her to forget her
past experience. Mai Nyevero vaingogutsurira asi mufaro vanga vasisina. Vakaita
sevachapisa poto yechicken nekufunga kuti ko ivo Mai Matsvai vakavaramba kuti
vaite muroora wavo vaizodini? Asi hameno kuti why vabereki vachiwanzoramba
kuti mwanakomana wavo aroore returned soldier. Asi kana ari mwanakomana ane
vana anobvumirwa kuroora mhandara.
Hameno kuti vanoti vasikana ndovakapusa here vanoda second hand husband?

Vabereki must stop that mentality chokwadi, bcz as long vairi vadanana imi
mopindira kuti zvidiii?

Ambuya vaTino vakanga vasisina kugadzikana nekuda kuziva about Tambu uyu
paaibva chaipo. Shasha yakanonga ma key ebenz yavo ndokunanga kwsahwira
wayo. Sezvo vanga vasina kuzouya kwavanga vavadeedza.

Marwei shoko rekuti murume wake akudanana nemunin'ina wake rakasvika mune
dzake nzeve. Ko vemakuhwa chero vachinyepa shoko rongosvika. Akaperekedzwa
nemunin'ina wake mudiki kuenda kwamwene vake aida kunozvinzwira from the
horses mouth.

Aiwa amainini vakabvuma kuti bamukuru vakarara navo, asi zvekudanana


vakazviramba ichowo chaive chokwadi vakanga vangobatsirana nabamukuru asi
love panga pasina. Marwei akatadza kana kumira nehasha asi aisakwanisa kana
kurova munin'ina ko aimuona kuti ari papi here?

Kana ivo vamwene vacho vakashaya kana remuromo. Marwei akakumbira foni
yavamwene kufonera Rambwai akafona akamuudza kuti she was going to sue him
nezvaakaita ndokukata runhare.
Amwene ndovakazonyengerera muroora kusasungisa mwana wavo. She promise to
talk to him herself. Vamarwei vangu nekupusa vakabvuma. Hakuna mubereki
anoda kuti mwana wake asungwe chero iri mbavha. Moyo wekubereka
unotomborwadza. Asi iyi Chembere yanga yotofunga kuti pamwe mainini ava
vaizoita mwana mukomana saka yakadefender mwana wayo.

Marwei akasvikoudza amai vake zvazvaitika. Instead yekuti vamu comforte


vakatomuudza kuti as long mukwasha asina kuzviita nemunhu wekunze at least
toramba tichichengetwa. Ndimai vakadiii ava? Tiriko here vana amai vakadai?
Vanoda zvinhu kunge paper bag kkkk aah ndavaona zvangu, marwei anga atova
panguva yakaoma kuna mbuya godobori kwakusisaendeka neurema kwake
kwekuzvipa uhwu.

Rambwai ndangariro dzaimubaya paChivhu haikona kutamba. Shasha yaiti


ikafunga kuti mukadzi akutoenda naboss ainzwa shungu asi chekuita panga
pasisina. Handiti kwaive kurumwa nechekuchera? Some of the things we do in life
ignorantly you will reap what you sow in bulk one day. Apa kubasa anga audzwa
kuti boss vakati vanoda kumuona anga otya kuti basa rinogona kupera. Zvinhu
zvanga zvisisina kumumirira mushe. Apa aitya yaanga asiya apara yekurara
namainini under age pamusoro pazvo worse nezvaakanga anzwa nemukadzi wake
akashaya kuti ko anga akazviburitsa ndiani. Regai zvinzi madziro ane nzeve.

Rambwai akanga ongonzwisa tsisti pese paari. Ko iko kuonda kwaanga aita hake.
Akabuda akaenda zvake kubhawa aingova ne $1 regondo. Akazobva kubhawa
kuya anekamwe kapfambi vanga vawirirana kuita a havo short payer. Apa kana
cent anga asina hameno aida kubhadhara ne stress here?

Vakati sisi vakuda havo mari voda kuenda, Rambwai akanyepera kuzungaira
kutsvaka mari muhomwe maaiziva hamuna.
"Sorry sha ndinenge ndatobirwa mari ini kubhawa uko handichaiona ufunge."
Rambwai dzakataura dzakatoperera zvadzo.

"Zvakanakai bhundi but you must be sorry for yourself nekutsvaka rufu
kwamaita."
Akapindura pfambi uya achitobuda kuenda.

Rambwai akasara akazvitongesa nemashoko anga ataurwa nepfambi iya. How


could she say kuzvitsvakira rufu? Mashoko amadzibaba akabva adzokazve make
mupfungwa. "BABA NDAONA MAFA NECHIRWERE CHESHURA
MATONGO."
Semunhu aisada kuzvi believer akatoridza tsamwa ndokurara zvake.

Ngatimboonai kuti vanhu vese vakaitira mai Nyevero utsinye vakazoguma vadiii.
VaMutema munda wakasakurwa na mai Nyevero umwe musi mombe dzavo
dzkapoya dzikadya chibage chese apa ndopavaitotarisira. Sabhuku dhongi
rakangomuka rakafa ratungwa nemombe mudanga mavo. Rambwai namarwei
hatichataura shuwa bhaibheri rinoti vengeance is for the Lord harinyepi. Nekuti isu
vanhu venyama tinenge totoda zvehondo asi mwari vane nzira yavo yekuita
zvavanoda. "His ways are not our ways and his thoughts are not our thoughts."

Mai Matsvai vakasvika pamba pasahwira wavo pakakiwa ne gate ne gate asi mota
yaivemo mukati. Vakazama kufona asi foni yaisadairwa hameno kuti yaivewo pai.
Vakamira vakati vachauya havo pane pedyo pavaenda.

Amai Nyevero vakapedza kubika ndokunosheedza amwene vavo kuti vauye


vapakure, vakawana yava dzvimbo papasina munhu. Baba ndovaitove zvavo mu
garden mavo.

"BaTino amai havamo mumba mekutandarirawo umo. Maybe vapinda mu


bedroom mavo endai unovasheedza vauye vapakure sezvo Tino akuchema nenzara
uyu."
Vakadaro mai Nyevero vachiudza umwe wavo uyo akabva angosimukawo oenda
ku bedroom kwamai vake kunovatarisa.

Kumunda takagochererwa mugomo wembambaira nambuya wekuti tigotakura


kuenda nawo kwedu. Takasiya tasakura zvedu rimwe ridge raive nebeans so.
Sekuru vaidiridza zvavo mavegetables avo takazokumuka takudzokera kumba
kunobika nokuti Rue naNama vaive vocomplainer nzara.

Tichisvika pamba takawana pagate pakapakwa imwe mota tema. Ambuya


vakativhurira gate tikapinda hedu ivo ndokusara vakamira nemunhu aive auya
nemota iya.

Takati ta..........!!.

END OF CHAPTER 34

NEXT CHAPTER SOON

LIKE OUR FB PAGE FOR MORE STORIES AND SHORT STORIES .

HAPPY READING .....LOVE YU ALL!!!!!!

NYEVERO

Chapter 35

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Takati tatogara zvedu pa veranda takaona ambuya vakuuyawo, uya wemota


oendawo.*
Ambuya vakasvika vakatanga havo kubika isu tichitamba zvedu panze.

Joze zvaakashaya amai vake akavafonera vakati vavamhanya pama shops pane
zvavaida kutenga asi vakutodzoka, apa ndopavaive vasvika pasahwira wavo
havana kuzombogara vakaoneka ndokumhanya kumba.

Vakasvikopakura havo ndokudya vachitaura nyaya. Amai vaJoze murooora vanga


vamufarira asi pekuti anobva papi ndopavaida kuziva. Vainyatsoziva kuti
kwaMapako ku good family asi zvekuziva kuti kune musikana asati aroorwa
uhmmmm vaisaziva.

Vanhu vakapedza zvavo kudya muroora akasuka ma plates, vakazotandara zvavo


vachibvunzwa maplans avo nevabereki vavo. Baba va Joze vakazoudza vana vavo
ava kuti muchato vasanetseka he will provide everything for them ko vaive vanhu
vane mari dzavo ka zvavo .

Murora akazooneka zvake vairi vakabuda havo vakamboenda havo kunofurwa


nemhepo uyu achibvunzawo umwe wake how she fell after seeing his parents?
Aiwa rudo rwarwakunyatsotsva mai Nyevero Rambwai akanga azonyatsovabuda
zvachose, she was ready to move and leave the pain behind.

Vakazotenga havo kagrocery kekuti mai Nyevero vanopa mai vavo nema
chocolate evana. Sezvo mai Nyevero vanga vasati vaudza mai vavo about Joze
vakadzasirwa nechekure vakati vaizomufonera kana vakuda kutakurwa kudzokera
kumba kwavo, vakazofamba zvavo netsoka kusvika kumba.

Patakangoona amai vachipinda pagate takamhanya takananga kwavaibva


takavambundira sevachadonha. Takapinda mumba tikapiwa ma chocolate edu amai
vakazosara votaura havo na gogo isu tapanze. Ndakatoti Rue hande panze kutya
kuti aizobvunza mhamha zvisina basa .
"Anga ariseiko mukwasha wangu nhai mai Nyevero?"
Amai vavo vakavabvunza vachivadirira juicy raive pa table.

"Vanofara zvavo amai ndovandipa grocery iri hanzi ndikupei ". Vakapindura
vachitambidza amai vavo pasuru yavo.

Amai vakatenda havo mwanasikana wavo. Akazovaudza kuti ane nyaya yaaida
kuvaudza. Mai Nyevero vakatsanangura zvese zvakanga zvaitika kusvika vazobva
pamba paRambwai. Vakataurawo kuti mukwasha wavanga vanoona he is the new
man in her life uyo vaizouya naye kuti avaonewo.

Mai vavo vakanga vagara vakavenga Rambwai. She was happy kuti mwana wavo
akuwana murume anomuda little did she know kuti mukwasha uyu aive ani.

"I can't wait to see him my child all I want is for you to be happy and enjoy your
marriage." Vakapindura mwana wavo. Vairi vakazotaura dzimwe nyaya uye mai
vavo vakavati vamborarawo pamba pevabereki vavo vozoenda zuva raitera. Sezvo
yaive weekend amai Nyevero vakabvuma zvavo uye vakafonera Joze vomuudza
kuti aizovatakura zuva raitera.

Amai vakatiudza kuti taizorara kwambuya musi uyu takafara kani ko taifarira
kuona TV zve kwedu kumakudo taiizivirepi TV? Takaendwa nesu kuma shops
nambuya tikagotengerwa kese kataitaura dozvoda Rue ka zvekudya izvi, akanga
atova ka handbag kambuya kana kuregererwa ndofunga vanga vatoregererwa.

Takazodzoka zvedu kumba tumatumbu twati tananana kuguta. Kana sadza takati
takaguta. Tairiisa pai tata spoiliwa nambuya kuma shops?

Mai Matsvai vakasara vakaudza mwana wavo kuti muroora vanga vamufarira,
tsika nehunhu anazvo. Joze akafara kunzwa mashoko aya from his mother asi
chachasara kuvabudira musaga votaura chokwadi about Tambu uyu. Mai vaJoze
vakaronga kumukira kwasahwira wavo moyo wavo waivaudza something but she
didn't figure it out. Vakazowonekana zvavo nemujaya wavo vonorara.

Musi uyu ambuya vakatombodzinga sekuru pamubhedha vakanorara ku guest


room . Takarara zvedu pa bed na gogo rino raive rakakura ko iyo comfort
hatichataura. Mama hameno vakanorara ku spare kwevasikana. Takazorara late
tichikurukurirwa dzepasi chigare naambuya . All I ever wanted kuvawo nambuya
vanotida seizvi.

Marwei zvaakaona kuti amai vake havachamusapota akamirira vaenda kutsime


akatuma kamunin'ina kake kunotenga roga iya yemumuriwo iya. Akasara akanyora
tsamba ndokuiisa pasi perupasa rwavairara. Pakakadzoka akakatuma kunotenga
drink ko iko kaizivei hako. Akasara akadhudhudzira roga iya ndokurara zvake.

Amai vake Pakakadzoka kumvura havana zvavakafunga vakasvikotanga kubika.


Ko vaingoti musikana akarara hakezve, pakaita batai batai pavakazoda kumuutsa
kuti adye munhu anga ave chando zvake. Vakangoibongomora mhere asi hapana
kana akauya.

Semunhu aive asina foni vakashaya zano, kuti vamhanye kwamwene vemwana
wavo vasiye chitunha chega usiku mumba zvaisaita vakatomirira kuti kuchene.
Marwei waenda the wages of sin is death . Be careful what you do or whom you
play with .

Kunze kwakaedza takanzi naambuya vakatibikira porridge takarara ndo good


living zve iyi yakarehwa nevarungu. I was surprise patakamuka ndichiona mota
yatakambowana yakamira panze nezuro iripo zvekare pa gate. Ambuya vakaenda
kugate vakanovhurira munhu uya vakauya vakadungamidzana kumba.
Amai vaitobvawo kunosuka ma plates mukitchen.

"Makadii henyu?" Ndakadaro ndichityora muzura, vakapindura vakafara havo.


"Aah ko sahwira vana ndevaniko ava nezuro ndakazoshaya time ka yekukubvunza
paya?" Vakadaro amai vaive na gogo vachigara pa sofa raive pa veranda.

"Waive womhanyazve kuvaenzi vako nhai shamwari, vana vemwana wangu


musikana uya wekutanga uya vakauya nezuro kuzoswera havo nambuya vavo."
Ambuya Nyevero pavakati uya wekutanga uya sahwira wavo akabva atoziva.
Sezvo aive aziva kuti mwana wambuya Kupa wekutanga aive asiri wavo at the
same time vaiziva muridzi wemwana iyeye. Mai vaJoze vaimbova nurse
paMurambinda hospital uye vaiziva mwana akazotorwa ne friend yavo kuti aive
wani. But they keep it as a secret kusvika mai vacho vafa pakafawo mai vamai
Nyevero ma sahwira mairi aya haana kuda kuudza baba vemwana about mwana.
Hameno foster mother pavakazodzinga mai Nyevero nekuvaudza chokwadi paya
kuti vakaregererei kubva vavaudza kuna baba vavo maybe vaityawo hameno.

"Vakauya na mai va......!!"


Ambuya havana kupedza zvavaida kutaura vagamwa na mhamha vaive vachisvika
paveranda pataive, Rue na Nama vaive mumba panguva iyi.

"Ndiri pano amai maka..!!"

Amai vakagumira panzira makadii henyu yavaida kuita kumuyenzi wambuya uyu.
Ndakaona vashama kuratidza kuti vaziva munhu wavaida kumhoresa. Ivowo mai
vaya vakangoshamawo kunge vachapindwa nenhunzi.

"Ko mukagoita semazivanazve nhai?" Ambuya vakataura vakatarisa amai ivo amai
hapanawo chavakataura.

"Sahwira uyu ndiye mwana wangu musikana wandandichitaura uyu uye ndiye
amai vevana ava."
Ambuya vakaenderera, to my surprise amai vaya vakangosimuka pavaive vakagara
nekutora kabheki kavo havana kana kuoneka ndokutopinda mumota mavo voenda.
Amaiwo vakangomhanya mu spare kwakunozvivharira kwakutanga kuchema
varimo. Ndakaita maths 1+1 ikaramba kubuda ndakatoshaya kuti ko zvii
zvazvakuitika.

Amai va Joze vakadriver BP yatokwira uki vachipopota haikona. Mota yakaita


seichaiswa mu 180 kuti ikasire kusvika pamba.

Vanhu vakazotanga kuuya kunhamo kumba kwa Rambwai makuseni chaiwo. Mai
vaRambwai rakazosvikawo kwavari shoko vakaendawo vakadungamidzana
nemunin'ina wa Marwei uyo aingovungudza kuchema.

Rambwai akafonerwa achiudzwa zverufu, akakumbira ma days kubasa akapiwa


zvake. Pa company pa Joze munhu akafirwa aitopiwa kana week rekuchema hama
yake uye loan yekushandisa. Rambwai akatenga coffin nezvaidiwa ndoku hire
kamota oenda kumusha. Mumoyo aitofara kuti better bofu rarova pasi. But varume
sometimes ka pfungwa dzavowoshaya kuti vanofunga sei sei.

Ukuwo amai va Rambwai vaingodeedzera mai Nyevero akaroya muroora wangu.


Takatozviudzwa kumasowe uko mai Nyevero muroi wemunhu. Vanhu vakanga
vongozevezerana . Mai Sharon vaivepo vakanyarara zvavo vachida kuona zvaitika.
Baba va Marwei vakaramba kuuya kunhamo vakati mukwasha haana kuroora saka
ngavige ega. Bangoti mukwasha haana kuroora ko ambuya vaitsvakei pamba
pemukwasha?

Semunhu aive asina kuenda kuhospital uye anga amwa roga chitunha chaive
chotokanda kamweya. Vaive vangomirira kusvika kwaRambwai vonoviga munhu.

Rambwai akazosvika masikati kana chekudya panga pasina vanhu vaitodzokera


kunodya kudzimba dzavo. Marwei akazoiswa hake mu coffin vanhu pavakati
vabise rupasa sezvo rwaida kuzoshandiswa kumakuva ndopakaonekwa katsamba
kaive pasi perupasa paya
Tsamba yakatambidzwa iye Rambwai zezvo yanga yakanzi kuna Rambwai
naAmai . Iye akatambirawo tsamba ndokuverenga achideedzera haikona.

Tsamba yaiti :
"DEAR RAMBWAI, MURUME WANGU NDAIKUDA NEMOYO WESE ASI
PANDAKANZWA KUTI WAKUDANANA NEMUNIN'INA WANGU I
DECIDE TO TAKE MY LIFE. KUBVA ZVANDAKAITA BOFU HAUCHINA
BASA NENI, UYE I'M SORRY MWANA WEDU NDINI NDAKAURAYA FOR
THE SAKE YEKUTI USANDIRAMBA SEZVO WAIDA MWANA
MUKOMANA. RAMBWAI NDINI NDAIKUSHANDISIRA MUSHONGA
KUTI UVENGE MHURI YAKO, GO AND ASK FOR FORGIVINESS TO
YOUR FAMILY. KUNEMI AMAI NDINOTI PEKAI TUBHEGI TWENYU
MUDZOKERE KUMBA KWENYU, UYE MUSAFUNGA ZVENYU KUTI
NDAURAWA NEMUNHU. NDAKARUMWA NECHEKUCHERA INI,
NDAKAENDA KUN'ANGA NDAIDA KUTI MAI NYEVERO VAITE BOFU
ASI ZVAKANDIDZOKERA NDINI NDAKAZOITA BOFU. UYE APA
NDAMWA ROGA NDIKAPISA CHIGUBHU CHACHO. MUSARE
MUNYASHA HAMA DZANGU UYE NDINOTI MUSAITA UTSINYE
SEHWANDAIVE NAHWO NDATENDA.

TSAMBA YANYORWA NEMUNIN'INA WANGU NDICHIMUUDZA


ZVEKUTAURA SEZVO INI NDISASAONA.

Vanhu vese vaive panhamo apa vakakatyamadzwa nezvaive mutsamba umu. Uye
vakasimuka rumwe rumwe vodzokera kudzimba dzavo.

Rambwai akachema mhere yakatyisa vanhu. Vanhu vakafunga ari kuchema mufi
izvo kwaani aitochema mhuri yake yakadzinga pamba nekuda muroyi wake uyu.
Vakazosara voviga mwana wavo vega vanhu vese vaenda . Chembere iya
yaidedzera kuti mai Nyevero muroi yakanga yazopfava manje after tsamba
yakaverengwa iyi.

Rambwai akatozonorara kwa mai vake zvaisaita kuti arare mu one roommo
naambuya vake vasina kukwana ava. Uyuwo muni'ina akateera tsvee kuchema sisi
changa chiri chemba sure. She threaten to sue Rambwai akaramba kurara naye uye
kuti vadanane.

Rambwai anga asina choice than kutobvuma. Akatoudza amai vake kuti ndiye
amuroora uyu. Chembere yaingoda muzukuru komana kubva kumwana wavo
wedangwe uyu yakangobvuma, uye akanzi aizogara navo pamba sezvo vavasati
vawana mufudzi wemombe.

Takangoramba takamira pa door pe spare mamapinda mhamha muya. Amai


havana kumbobuda zvavo kusvika mbuya vazotsvaka munhu aka breaker door kuti
tipinde.

"Mhamha muri right here why mukuchema?" Ndakadaro ndichimhanya paive


pakagara amai. Havana chavakapindura asi kutowedzera kuchema.

Mai vamai Nyevero pavakaona sahwira wavo zvakanga aita nezvakange zvaita
mwana wavo vakaziva kuti something is wrong somewhere .

"Nyevero imboenda nevanin'ina vako panze dakutaura na mhamha."


Ambuya vakadaro takaenda hedu panze asi moyo wairwadza kuti chii
chachemedza amai? Ko Ivo mbuya why varikutidzinga?

Takano.............!!!.

END OF CHAPTER 35

STAY TUNED FOR THE NEXT CHAPTER SOON

LIKE OUR FB PAGE FOR MORE STORIES

HAPPY READING ,,,,,,,LOVE YOU ALL !!!!


NYEVERO

Chapter 36

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Takanomira pamadziro sevanhu vaida kuzivawo kuti chii chainetsa amai vedu.
Amai vacho vaibvunzwa nambuya kuti chii chainetsa asi vaisapindura asi
kutowedzera kuchema. Ndakava nekushungurudzika kukuru ne situation yaive na
mama vangu. Ndakamhanya ku kitchen kwaive ne foni ya mama ndikafonera uncle
Joze ndaida vauye . Foni ya uncle yaingorira hapana aidaira ndakadzikana
ndangosiyanawo nazvo.*

Ambuya vakazosvika pakubuda vasina chavanga vaudzwa na mama. Amai


vakatozobuda mu room mavaive tatogeza zvekuti tidzokerere kwedu kuGombe.

"Nhai mai Nyevero mwanangu hona vana vako vatosuwa nezvauri kuita izvi, chii
chikunetsa?"
Ambuya vakabvunza amai.

"Mhamha zvakaoma!!"

Ndomashoko akapindura amai vachitopfurira kunogeza kuti tiende. Ambuya


hameno number dzavakafona but zvairatidza kuti munhu wacho aisadaira call yake
nekuti vaingoridza tsamwa vachifamba famba nemba.

"Nhai gogo asi mukadzi uya auya pano anozivana namhamha?"


Wedu Rue as Rue zvaanenge afunga anotoita.
"Hameno vazukuru I'm trying to call her but she is not picking, mukadzi uya
ishamwari yangu anonzi mai Matsvai hameno kana vachizivana na mama venyu."
Ambuya pavakati mai Matsvai ndakava ne clue of what was going on. I remember
mama vakambotaura surname ya uncle Joze so I was sure kuti mai vaya vaive mai
va uncle Joze but why amai vaichema? Ndakangonyarara zvangu kumirira
kuzonzwa naivo amai.

Amai va Joze vakasvika kumba mwana wavo atovamirira sezvo anga oda kuenda
zvake kunoperekedza chiponda moyo chake. Ko aiziveiko kuti kwaita hondo
yemadzviti?

"Handina mwana anoroora munhu akuziva kutonga vamwene ini, never never
never handidi zvangu. Joze hw could you date such a cheap woman? Why tell me
my son kana wakatadza kutsvaka musikana ndikutsvakire ku church uku? Ungada
kuroora munhu ane vana vatatu? Washayei nhaiwe? Plus ungada kuroora mwana
wa.....!" Havana kuzopedza kutaura vafunga kaviri.

Chemebere yakaenderera neku paumba kwete kutamba uku baba nemwana vaive
vakatarisana zvavo.

"What's wrong with it nhai mai bhoi? Saka iye Joze wedu zvaaine mwana uyu
haacharooraka nekuti ane mwana? What the different apa?"
Baba va Joze vakazopindirawo vaona kuti mukadzi wavo akutoenderera
semupendero wehembe.

"Mwana one anonzwisisika zve kwete vatatu. Aah vana vanotozadza kadoma
kecomb bodo ndaramba. Joze will not marry that woman kana ndichiri mupenyu
pamusha pano."
Amai va Joze vakataura vachitofamba kuenda ku bedroom kwavo kunorara.
Sure wotoshaya kuti saka munhu ane vana vake vakawanda hacharoorwiwo here?
Ko kana ndadiwa ndadiwazve nhai. Votoita kunge ndivo varikuzogara nemukadzi
wacho or vana vacho.

"Don't worry sonny your mother will calm down sooner or later but everything will
be fine."
Baba vakapa mashoko enyaradzo kumwana wavo uyo wavakaona kuti aive
akuzvidya mumoyo .

Zvo stressa sure kunzi usaroora munhu waunoda aah unogona kutorwara .
Vabereki sometimes vanotikanganisira vanokurambidza kuroora waunoda then
woroora wavanoda ndodzimba dzozogara dzine ma problems. Because uyu anenge
achingofunga waakarambidzwa kuroora or kuroorwa naye. Vabereki dzidzai
kusapindira pama affairs evana kana va mature to make their own decision.

Better munhu azvichuzire bhutsu yake ega kana yomushinya hapana wanozo
blamer. Amai va Joze vakatendeuka vakati,
"Manje ndabvako kumba kwemukadzi wauri kuda kuroora, if you want peace
siyana naye nekuti handidi kukanganisirwa ushamwari hwangu na mai vake."

Joze akatora foni ndokuzama kufonera Tambu asi foni yaisadairwa, pakarepo
pakapinda call from mai Tino asking him to bring Tino back hameno zvavaitaura.
Akangoti okey nekukata foni neku mhanyira kunopinda mumota kuti amhanye
kwana Tambu ko aikuzivaka sevanhu vakadzidza vese ku primary iye zvake aive
mberi ne 2 classes.

Ukuwo mai va Tambu vakamboda kuudza Tambu kwaive na baba vake asi vakatya
kuti aizovarasa onogara kwa baba vake sezvo aive munhu ane mari dzake.

Ambuya vakatirongedzera sezvo tanga takuda kuenda kwedu kumakudo. Amai


mufaro vakange vasisina zvachose. Takuda kutosimuka mota ya uncle yakabva
yasvikawo vakauya kwataive vachimhanya kana ma doors emota vakasiya
akashama. Kuzoti amai pavakaona uncle vakangopinda mu bedroom ma gogo
kwakuzvikiiramo.

"Makadii henyu mama?"


Uncle vakasvikokwazisa ambuya ne confidence kunge vaitozivana aah
takangomhoresawo uncle ndokunyarara.

"Mhazi Makadiiko marova kani ko kuzotifunga nhasi kwakanaka here?"


I was suprised nemhinduro ya gogo kuti ko ambuya uncle vanovazivirepi?

"Kwakanaka amai dakuona mai Nyevero." Ambuya vakandituma kunodeedza


mhamha asi vakaramba kubuda mumba muya.

Ambuya hameno akavafonerawo ndakaona vangopusa face. Mai Joze ndivo


vakanga vafonera sahwira wavo warning her to warn her daughter kuti asiyane
nemwana wavo. Atleast vakava ne clue of the story now .

"Nhai mwanangu chii chiri kuitika?"


Ambuya vakabvunza uncle vaive vakasuruwarawo. Uncle vakatsanangura kuti
vakanga vasati vaudza amai vavo the truth about mai Nyevero saka paita problem
iyi.

Ambuya vakati vaizotaura na mai va uncle about it. "Ndafara kuziva kuti ndiwe
ukufambidzana nemwana wangu Joze, you are my friend's son I know you have
good values and I'm sure my daughter will be happy for the rest of her life Don't
worry about your mother I will talk to her she was just shocked don't worry okey."
Ambuya vakaenderera.

Atleast now ndandakuziva why mhamha vaichema? Saka amai va uncle na gogo
vagara ma friends nhai okey. Amai vakazodeedzwa na gogo vakauya
vakavavimbisa kuti everything will be okey. Amai vaingogutsurira musoro but
vairatidza kuti vari stressed.
Hatina kuzombogara zvakanyanya takabva tangooneka nekuenda. Sezvo uncle
Joze vaida kuenda vachitora Tino takaenda nekumba kwavo. Vakanopaka mota
panze pe gate ndokunotora Tino.

Veduwe ndakanga ndisati ndamboona imba yakareba kudaro in my life. Vamwe


vanhu vaigara muma paradise sure.

Joze zvaakasvika haana kana kunooneka mai vake vakanga vakarara. Akaoneka
baba vake vakatomuperekedza kusvika pa gate vachinooneka muroora wavo.

Mai Nyevero vakabudawo pavakaona tezvara vavo vachiuya vakavamhoresa uye


vakamhoresawo vana.

"Munofara here vasikana?"


Takadzaka tikamhoresa munhu aive na uncle takapiwa ma introduction, he was so
nice like uncle Joze. Like father like son sure vakatotipa ma 5$ $5 tese na Tino
vakati vazukuru mugotenga ma sweets.

Baba va Joze he try his best vaisada kuti mai Nyevero vanyanyofunga about
zvakawanda. It was just a phase yaizodarika.

Takatenda tikapinda zvedu mumota toenda. Tino paakangotiona akanga akutoda


kutamba zvake.

Takaenda nekuma shops tichitengerwa zvazvisisiko kumba. Takazoenda zvedu


kumba asi amai vaive vakangonyarara zvavo hameno vaifungeiwo.

Tichisvika kumba uncle vakati tisare tichitamba na Tino ivo vaida kumbonotaura
na mhamha.

Joze aka driver chinhambwe ndokuzopaka,


"Nhai Tambu kana iwe ukachema woda ndiite sei? This is just a phase shaa trust
me amai vachatokuda." Joze akataura akabata mai Nyevero maoko.
"Dai makavaudza chokwadi pekutanga dai pasina zvese izvi, why would you lie at
the 1st place? Hazvife zvakachinja kuti I'm a mother if 3 Joze."
Amai Nyevero.

Before she new it Joze akakarika muromo wake wapane wamai Nyevero. Instead
yekuramba she respond as well.

"I'm sorry Tambu I didn't mean to do this sha zvangoitikawo." Joze akataura
akutya kurambwa but he was suprised ne answer yaakapiwa . Vairi vakazotaura
zvavo dzimwe nyaya uye Joze akati aizonoroora December whether her mom like
it or not.
Vakazodzokera kumba sezvo Joze aive akuda kudzokera Harare.

Amai va mai Nyevero vakasara vakafunga how to convince her friend kuti asiye
vana vadananane. Vakazofunga kuudza sahwira wavo about her ages secret kana
vazoramba vakaoma musoro. Vakafonera sahwira wavo asi haana kuzvibvuma
nekuti aiti no one will believe you now. Ndozvakaipa kuudza mashamwari edi
madeep secret, sometimes they will use it as a weapon against you one day.

Ivowo amai va Joze vaingodaro zvavo asi secret iyoyo ikabuda vairambwa straight
uye vaisatoda ibude. Musi uyu kana sadza havana kuzodya vadumbirwa ko handiti
vaida kuzviita muninja uku mwana wavo akavafonera akavaudza kuti as long
musati makuda musikana wangu handiuyi kumba kwenyu.

Apa nemadiro avaiita Joze vanga vapinda panguva yakaoma chaipo. Vakafonera
vana vavo ve UK vachivaudza zvazvada munin'ina wavo vese vakavati moyo muti
amai unomera pawada as long vachidanana zvavo. Chemebere yanga isisina
wekuudza asi yakabheja kuti mwana wavo haaizoroora munhu ane vana vatatu.

Rambwai akazowoneka zuva rodoka odzokera kwake Chivhu. Vadzimai vakasara


navamwene vavo hameno zvaizowirirana here sezvo akuziva amuroora wavo not
mufudzi wemombe.
Amai na uncle vakazodzoka, mati kuchema kwakaita Tino paakanzi vakuenda?
Akanga akutoda zvekusara uncle vakazomunyengerera kuti atobvuma akanzi isu
taizoteera ku Harare kana tavhara zvokoro.
We say our goodbyes uncle vakaenda zvavo.

Mai Sharon vakafonera sahwira wavo vachimuudza news dzadzaitika kwaMabika.


Kuti marwei afuga rake ega uye Rambwai anga akudanana nemunin'ina wamarwei.
Amai Nyevero vakaseka zvavo uye vakaudzawo shamwari yavo zvakanga zvaitika
pavakaenda kunoona vabereki va Joze. Amai Sharon vakasimbisa umwe wavo uye
kuvaudza kuti zvichapera with time vairi vakazotaurawo dzimwe nyaya kusvika
mari yamai Sharon yapera.

Amai vakatiudza nezverufu rwamainini uye zvaive zvakuita baba. Baba


vainyadzisa chokwadi I was ashamed even to call him my father aah.

Mazuva akafamba tikavhara zvikoro Rue as usual aive pa number 1mu class mavo
and in grade, ini ndaivewo pa number 2 mu class medu zvese ne grade. Takanga
tanzi na uncle Joze tikapasa vaizotitora for holiday.

Sezvo pamba pataigara vanga vasina kurima nekushaya munhu pamba pavo, amai
vakakumbira varidzi vepataigara kuti tiende ku holiday vakabvuma zvavo.
Ndakanga ndisisina kana kugadzikana nekuda kunoonawo inonzi Harare yacho
yataingonzwa nembiri kunaka.

Shamwari yaJoze paakangonzwa kuti amai vake vakaramba mai Nyevero akatopa
mai Tino pressure kuti vadzoke pamurume. Kuudzawo Shamwari kese kese
kwakaipa. Joze aiti arikuwana kwekuturira mutoro yake izvo kwete sahwira
aitoenda kunopa full information kuna X wake.

Mai Tino vanga vakugara vari kuoffice or kumba kwaJoze vachikumbira mari
vakahwanda naTino. Aingoti mwana ati akuda chakati chikuita mari yakati. Joze
akatanga achimupa asi akazodzikana ati apiwe $500 only monthend oita zvoda
mwana ipapo . He warned maiTino not to come kumba or kuoffice kwake again
without his approval.

Ndokugarikazve uku kupiwa hako 500$ wakagara aah. Asi pakadai unenge waku
regreter all your wrong doing but unenge wakanonokera colgate mazino achiora
zvawo.

PaMurambinda Chemebere mbiri dzanga dzarimirana kumuganhu hapana anga


achataura neumwe. Kana ku church vanhu vanga vakutoona tension yaive pakati
pavo. Mai va Joze vakaramba vakashinga neyekuti havadi kuona mai Nyevero as
her daughter inlaw.

Day rekuti uncle vauye kuzotitora rakasvika. Musi wekuti tikuenda mangwana
handina kana kurara ndichifunga rwendo rweHarare.

Joze akafonerwa akuda kutobuda kuChivhu branch kuchinzi kune munhu anetsa
pabasa. Akati aizopfuura nako akubva kwaMurambinda sezvo aida kushandisa
Hwedza road kuenda kumusha aida kutanga aona baba vake ozoenda kunotora mai
Nyevero nemhuri yavo.

Uncle vakazosvika kuma 12 tanzwa nekumirira seni mutsipa wanga wotorwadza


nekudongorera ku road kwaiwanzobva ne mota yavo. Musi uyu vakauya neimwe
mota yanga yakanyorwa kunzi C300 iri ye chocolate colour. Ndakabva ndaziva
kuti uncle aive munhu wemari chokwadi mota vaichinjanisa kunge hembe .

Hatina kuzombomira uncle vakati vaienda neku Chivhu ku shop kwavo kune
munhu ainzi anetsa wavaida kunodzinga basa uye kuti awekerwe package yake
aende zvake.

Takasvika muChivhu kuma to 2 takatanga taendeswa zvedu pakanzi chicken Inn,


aiwa takatengerwa nema ice cream takuenda ku shop kwa uncle.
Takasiwa tiri mumota zvedu panze uncle vakapinda havo mu shop mavo. Amai
Nyevero zvakavanetsa kuona Joze achipinda mu shop maishanda Rambwai
vakangoti ndozobvunza adzoka.

Joze akapinda mu office ma manager wepa branch apa akamboita paper work
yaiita. Akazotuma munhu kudeedza Rambwai. Rambwai paakangonzwa kuti
ukudiwa na boss kuoffice kwa manager, instead yekuendako akatora ka bheki kake
ndokurova step yekutitotiza chaiko.

He couldn't stand the humiliation yekudzingwa basa ne munhu akatora mukadzi


wake. Akati better kuzoudzwa namanager kuti basa rapera than to face that man.

Takati tagara gara ndakapinda mu shop muya na Rue taida kunobvunza toilet
zvedu.

Ndakanzwa Rue aku......... . !!.

END OF CHAPTER 36

STAY TUNED FOR THE NEXT CHAPTER SOON

LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES

HAPPY READING ,,,,,,LOVE YOU ALL !!!

NYEVERO

Chapter 37

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
*Ndakanzwa Rue akundikwenya kwenya ndakashaya kuti ko sisi ava vakuda
kupuller ma stunts apii.*

"Chiiko nhai Rue wakuda kuita musikanzwaka? Mhamha vakatiti kudiii?"


Ndakapindura ndine hasha kuitira Rue aone how serious I was. Ko ndaizivei kuti
zvandaida kuratidzwa aive mashura chaiwo.

Rue haana chaakataura akangotendeka ruoko kwaibva na baba, uku achiseka


haikona. Moziva I couldn't hold myself ndichiona baba vakazara shenha
mahovhorosi so. Aaah imi ndini ndadiii ndakasekawo takabva tamhanya mumota
tsvee zvekubvunza toilet ndaida kutonoudza amai kuti vazvionerewo.

Amai Nyevero zvavakasara vakafonera zvavo amai vavo telling her about the
holiday kwavaienda. Amai vavo vakafara kunzwa mwana wavo achitaura
nemufaro kudaro. Chavaive vongoda kuti mwana wavo awane love yaakashaya mu
1st marriage yake.

Amai Nyevero vakatovhunduka pakapinda vana vavo vachibwibwinyika kuseka


vakabva vaoneka amai vavo vavaitaura navo pa fon.

"Chiiko nhai vana imi makudzidzira kupenga asi?"


Amai vakabvunza asi ini ndakatadza kana kupindura Rue ndiye akabva
anongedzera kwataive tabva ndokuti,
"Tikuseka chigure icho mhamha."
Amai pavakatarisawo sezvo vaive kufront seat ndakaona vodawo kuseka asi
semunhu mukuru vakagama setswa dzavo.

Rambwai aive ne shenha zvesure semunhu aishandira ku receiving bay aipota


achichinja akuenda kumba. Apa nguva yekuchinja anga aiwanepiko Rambwai
wangu iye aida kutiza boss akangobuda akadaro neshenha yake.
Rambwai zvaakaona vana vake vachimuseka vachimhamya panze akatowedzera
hasha. Kuti sake shef vauya nemukadzi wangu pano sure sure? Paakazoita weak
ndepaakati dhuma dhuma maziso namai Nyevero vakagara vakadya zvavo window
vari mumota maboss vake pa mothers city chaipo.

Umwe moyo wakamuti enda unovanyadzisa pamota ipapo. Umwe ukamuti


uchenjere kuzonyara uriwe hama yangu.

Mai Nyevero vanga vakachenerawo svoto zvavo, Rambwai akamboramba akamira


achitarisa mhuri yake yaive mumota umu. Shasha yakazongoridza zitsamwa
kwakurova pasi.

Joze akagara for about 20min aone hapana kana munhu. Akanga afunga kupa
Rambwai another chance but he didn't show up. Vakazobvunza munhu wavanga
vatuma kudeedza Rambwai akati iye paaudza Rambwai zvavaive vamutuma
angotora bag rake akaenda kumba.

Joze akaita hasha akabva audza manager wake kuti aendese zita raRambwai ku
accounts kuti awekerwe mari yake yese uye apiwe mari yake full salary yemwedzi
wanga usati wapera iwoyo obva asiya zvake basa.

Takatozonyarara kutaura nezva baba taona uncle vakuuya vakadungamidzana


nemusikana aive akabata ma plastic akangosvikomaisa muboot nekudzokera
zvake.

Uncle vakapinda vachiratidza kusvotwa. Amai vakavabvunza problem kuti yaive


yei. Asi ini ndandatoweka maths ndikaona kuti baba vaishandira uncle Joze chete.

"Can you imagine was here to see one of my workers hanzi arikingononoka kubasa
uye rough nemwamwe maworkers pano. Ndandatomunzwira tsitsi ndafunga
kumuisa kubranch rekuGweru uko, but guess what haana kuuya pandamudeedza
kuoffice, hanzi abva atoenda kumba ndabva ndatoudza manager kuti from
tomorrow munhu iyeye ngasashande atowekerwa twake twese aende zvake.
Anange ane demon renhamo handingaipedzawo ini." Uncle vakataura vachiratidza
kusvotwa.

Somewhere somehow my heart tells me kuti munhu airehwa ndi baba but to ask
uncle iyyy ndakazeza.

Amai Nyevero vakamboda kubvunza mudiwa wavo about Rambwai asi vakatya
mood yaaive anayo vakangoti will ask him one day akafarisa. Rue musi uyu akaita
good girl sezvo amai vavo vanga vavaraira kunoita hunhu kumba kwevanhu or else
vaizodzoka holiday isati yapera vakangoita musikanzwa.

Pa Mabika changa chakachaya muroora aive ongopfira pfira nekurutsa. Proof


yezviya zviya kuratidza yavapo. Ko iyo rough yaive yoitwa chembere iya aiwa
kani waiti ivo ndivo mudiki. Kungwara kwese kwanga kwapera regai zvinzi gona
ana gona wakewo chokwadi.

Chembere ndoyakanga yakuita basa rese repamba muroora akagara. Kuhuni vainzi
muuye nadzo kana makubva kumombe. Iye muroora aiswera akagara zvake basa
raaigona ku fryer mazai ehuku odya amwene vari kumombe.

Vakambozama kutsvaka mukomana webasa asi vakashaya. Apa dzemuswe


masvotore adzoita especially uchifudza uri one haiwa kani unoti baba nemuridzo
chete. Kuti vaudze mwana wavo vaitya kunzimukunetsa mukadzi wangu
akakutakurirai muzukuru komana.

Takazosimuka zvedu takananga paguta guru apo ndisu uyo ndakaona pakanzi
welcome to Harare ini hoo nhai. Ndaive ndakanyatsotarisa nepa window kuti
ndinyatsona Rue na Nama vaive vakutorota zvavo.

Takapinda nepaive nemazimba akareba kudarika migumtree ndakati vanhu


vanogara umu vanenge vanokasira kunzwikwa namwari chete paminamato aah
anga akareba. Takaenda nepaive pakanzi Nandos uncle vakadzaka vakazouya
nema khaki bags matatu vakasvikoisa ku boot kuya ndokuenda zvedu kumba.

Joze akatofonera sahwira wake kuti agosvika kumba achiona her wife to be and
kids. Sahwira akangobvumira asi akabva atosvitsa shoko kuna mai Tino kuti
vaende nemwana voti arikurwara.

Takasvika paiita kunge pashop pemota, ndakaona mota dzese dzaisiuya nauncle
Joze nedzimwewo dzatanga tisati tamboona dzakapakwa mune chimwe chishade
so. Ndakatomboda kuti asi uncle vanosikumbira mota dzotengeswa kuti vauye
nadzo, ko ndaizivei zvangu.

"Here we are girls this is uncle's house and you are going to stay here."
Uncle vakataura vachivhurira door kuti tidzake vasikana vakanga vazomuka zvino.
Veduwee imba iyoyo yanga yakakura uye yakanaka exactly like a massion
yandakamborota paya uhmmm sofa raivemo uhmmm.

"Come girls this is your room Nyevero and the next one ndoyako Rue then mom
naNama you sleep upstairs come come ndikuratidzei."
Uncle vakataura vachitokwira ma steps ndakasara ndichiringa ringa room yanga
yanzi yangu kkkkk imi ndakamboti asi ndikurota. Maive ne TV yaive kumadziro
pamwe paibuda mvura maita semu zidish aah ko ndaizvizivirepi zvangu. Kana kwa
gogo kwaive kusina chidish chakadaro uye kwaive kusina pekuvhura mvura
sepaive pamba apa. Ko ipo pa bed paikwirwa nema steps. Veduweka!

Ndakamhanya muroom maRue ndakawana shasha yavhura mvura paive


nezidishwo make akanga akutadza kuivhara zvino akungobwaira bwaira. Iniwo
ndaisaziva kuti ndoivhara sei.

Joze imba yake yaive ne 3 bedroom pasi ne 4 bedrooms pamusoro. Yake bedroom
yaive upstairs asi apa anga akaita kuti igorara mai Nyevero naNama iye
aizoshandisa 3rd bedroom yaive pasi. Aisada kuti vana vagofungira zvisizvo uye
he wanted to avoid miyedzo.

Amai Nyevero chirungu vaichiziva zvavo so she was not moved nezvaive mumba
maJoze.

"Girls asi makuda kugeza here zvamakuvhurira mvura?"


Uncle vakabvunza vakamira padoor reroom yaRue.

"No uncle hatizivi panovharwa sei apa ndavhura nemistake." Sisi vakapindura
ndisati ndatombofunga zvekutaura.

"It's okey girls ndandatouya kukudzidzisai how to operate zvese zviri muma
bedrooms enyu."
Uncle vakazotiudza kuti chiya harisi dish I tub mogezerwa. Vakatidzidzisa zvese
havo, takanoratidzwa ku swimming pool kwese kwese takaratidzwa. Paida
kudzidziswa uncle vaitiudza how to operate.

Mai vaJoze vakati vaenda zvavo kuma shops ndiye dhuma dhuma nababa
vaTambu. Vakagovaudza zvese zvakaitika uye kwaive nemwana wake.

Baba va maiNyevero was non other than Bla Lodza. Well zvakaitika Bla Lodza
munhu akagara aingoita zvema baby sezvo aive munhu ane tumari twake. Bla
Lodza vaive nema service station around the country. Dzimba idzi vaive nadzo
everywhere asi Mamurambinda vaimuda ndomaivaigara zvavo.

Bla Lodza vakamitisa amai vamai Nyevero imo maMurambinda vakaramba


nhumbu nekuti mukadzi wavo aidya magaka mambishi. Chakaita mai vaJoze
vazive about Tambu inyaya yekuti mwana akasiwa pagate pavo uye vakatoziva
kuti ndiani amusiya nekuti paitove neka note .
Ava vakazonopawo mwana sahwira sezvo aive neproblem yembereko. So they
keep it as secret even pakazouya mai vaTambu vakutsvaka mwana wavo vakamuti
ndakamuendesa ku orphanage.

Uyuwo Bla Lodza pavakaudzwa nezvemwana wavo vakatorova mota vakananga


kwavanga vaudzwa kuti ndokwavanomuwana. All he wanted was to see her
daughter not kuvatorera havo mwana. Mhuri ya Bla Lodza yaive kunze kwenyika
vese nemukadzi akanga atorwa nevana nenyaya yavo yekunetsa. Anyway Bla
Lodza handiti we know vainzi baba Mark ndoaive mwana wavo mukomana
mukuru aiteerwa nevasikana vairi. Vana vavo nemudzimai vakanga
vasisambovashanyiri kana nenyaya yekunetsa. Saka vaizviti Bla Lodza tsvee kuti
Mr Matsveru ndoyaive surname yavo.

Bla Lodza vakasvika baba na mai Mapako varipo zvavo. Vakataura nyaya yavo
kuti vauya kuzoona mwana wavo uye vaizodawo kuve neukama naye sa baba
vake. Asi kumutora vakati havaizomutora.

Vekwa Mapako vakawirirana havo nazvo, asi Bla Lodza vakanzi vaizodeedzwa
kana mai Nyevero vadzoka ku Harare. I wonder how was he is going to react after
vaona kuti ndiye munhu wavaida kumborara naye.

Amai vamai Nyevero vakasara vakaita hasha. Vakafonera sahwira wavo


vakamuudza kuti akangoda kupindira nyaya dza Tambu na Joze vaizoudza
murume wavo kuti vakambovawana vari paaction nababa vamai Nyevero vanova
Bla Lodza.

Jira ranga rava ravo mai va Joze kufuka kana kuwarira. Chokwadi zvinonyadzisa
kuzorambirwa zvinhu zvakaitika years back wakura uhmmm vana mai ka
ngatisadaro mhani.
Ndozvavaida kurambidzira mwana kurooraTambu because of her selfish deeds
shame. Wotoshaya kuti ko zvavaivewo nemazimari kukunda Bla Lodza. Rega
zvinzi moyo wemunhu wakaoma ivo mai ava ndovanotoziva why vaizviita.

All I can say pamba panga pakanaka ipapo. Takazodzokera zvedu mumba
takanodya food iya yakanga yatengwa na uncle.

Takati takuto..........!!!!

END OF CHAPTER 37

NEXT CHAPTER SOON

LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES AND
SHORT STORIES

HAPPY READING LOVE

NYEVERO

Chapter 38

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Takati takuto cleaner zvedu mumba matanga tadyira kwakabva kwaita ziknock
padoor. Ndakatombovhunduka nekuti knock yacho yaityisa, uncle vakasimuka
vakanovhura zvavo door riya. Munhu wandakaziva ndi Tino aive akaberekwa
kumusana neumwe mukadzi apa vaive nezi monarch pa side.*
"Kwakanaka here nhai mai Tino kwamafamba nemwana usiku huno? Ko
mukagenge mune mikwende what's going on here?"
Uncle vakabvunza mukadzi uya ndakabva ndaziva kuti ndovaive mai Tino ava.

"Nhai murume wangu handiti ndakati ndikudzoka nhasi here, asi wanga usisade
kuti ndidzoke? Ko vana ndevaniko ava? Asi vana tete ve UK vakauya kani? Inga
hamuna kumbondiudza nhai dady?"
Amai Tino vaya vakataura vachitopinda mumba kunogara pasofa wena.

Pfungwa dzangu dzakatanga kugaya kuti saka uncle Joze vaive nemukadzi nhai?
So what are we going to do? Amai vakangoramba zvavo vakagara, Tino
kakatomhanya paive na Nama. Avawo uncle vakanga vangomira vashama muromo
hameno kuti vaifungeiwo vari pa door ipapo.

"Nyevero my angel tora vanin'ina vako monotamba kubedroom kwako


dakumbotaura namama venyu." Ndakatorana zvangu ne team yangu ndonanga
navo kubedroom. Asi ini ndaida kutoona kuti chii chiri kuda kuitika, ndakasiya
Rue achitamba nevana ndikanyahwaira kwakunomira mu passage ndichiteerera
zvangu.

Joze zvakaenda vana akasara akanyatsonogara pa side pamai Nyevero akavabata


pafudzi zvaaisamboita, aida kusvota mai Tino chete.

"Right mai Tino, uyu ari paside pangu uyu anonzi Tambu or mai Nyevero ndiye
achava mai vevana vangu soon. Tambu sha uyu ndiye mukadzi wandakaramba uya
uye ndvo amai vaTino so handisi kuziva why auya pano nemikwende iyi? Mai
Tino you are free to tell me and my wife to be zvamavinga pano kuchakachena
muone kufamba."
Joze akataura akatorova zvake ma serious.

Mai Tino nyadzi ndodzakanga dzovabata hino. Ko iro godo vakaita sevachamedza
mai Nyevero vaive vakanyura zvavo musofa vakazvinyararira.
"Aaah ndandati ndimbouya kugara zvangu nemwana kuholiday plus arikungorwara
rwara Tino."
Vakapindura mai Tino vatoona kuti nyaya havaihwini iyi.

"Matogona mauya naye anombotambawo nevamwe vake holiday sure ,imi you are
not allowed to stay here so tipei henyu hembe dzake Tino tikuperekedzei kuma
comb uko kusati kwasviba."
Amai Tino havana
kuita nharo vakatora hembe dza Tino ndokupa baba vacho, sure vakaperekedzwa
na Joze na mai Nyevero nemota kunosiiwa kuma comb aienda town. Shanje
dzavainzwa mai Tino vachiona mai Nyevero vakadya window vakagara pamothers
seat soo, asi ndiye akanga azvikanyira marriage nekuda kwemari.

Pakabuda vana uncle ndakasara ndikadeedza team tikatanga zvedu kuona ma


cartoons ataive taisirwa na Uncle.

Pa Chivhu panga pakatooma, Rambwai akasvikopiwa twekwake. Mari yese


yaakapiwa yakaita $5000 zvekuti dai akaita musoro nayo dai ari umwe munhu
kutaura kuno.

Rambwai akafara kubata mari yakawanda kudaro, tsvee kutsaka business rekuita
akatonorenta kunodhura wena kwakutsvaka chisisi chekugara nacho achidya zvake
mari.

Pfambi iya payakaona paibva mari akataimira Rambwai akotsira kwakutora ka


$4500 kakanga kasara akarova pasi. VaRambwai vangu vakazongomuka yava
nzvimbo. Akada kuchema asi wekuchemera ndopanga pasina.

Chaakangosiirwa I foni yaive muhomwe yeJean raive akurura nema $ maviri aive
muhomwe imomo zvekare. Hembe nyowani dzaanga atenga dzese dzakahwapurwa
nasisi hameno pamwe vainotengesa mberi. Kana kuti amutsvake aimutsvaka sei
munhu wemubhawa? Haaimbomuwana.
Option yanga yasara nabhudhi Rambwai ndeye kutokwira bus voenda zvavo
kumusha. Asi iye akati aizotsvaka rimwe basa sezvo rent aive abhadhara hake
aikwanisa kumbotsvaka basa ari pamba apa.

Mai vaJoze vanga vasisina option than kungobvumira kuti vana varorane. Nyaya
yaivashungurudza yaive yaJoze. Joze vakaita nhumbu yake madays avaidanana
nabla Lodza, so she was not sure kuti ndewe murume wavo here or ndewa bla
Lodza. Asi ndopaunoona kuti vamwe vakadzika kukwana havana. Ko kana wada
chihure uri mumba Ko kuchidziirira hako? Ko icho chavaishaya chii kumba kwavo
uhmmm chakafukidza dzimba matenga chokwadi.

Chero havo vaisanyatsozviva option yanga yasara kutongorega vana vachiroorana.


Zvaive zvisisatsanangurike izvi.

Unce namom vakazodzoka zvavo tikanamata as a family kwakunorara. Musi uyu


ndakarara like a queen aah mubhedha waive wakapenga iwoyo. Mazuva akafamba
zvawo town takanga toiziva zvino. Aya andaiti mazidzimba ndakazoudzwa
nauncle kuti hadzisi dzimba aah ko taiziveiko hwaive usiku utema zvawo.

Joze akaendesa mai Nyevero ku driving school lessons vakapasa zvavo vaiita 4
lesson per day. Within 3weeks vanga vane licence ravo maiNyevero. Kana Joze
aripamba aivadzidzisa kudriver as well aah vakanga vava shasha.

Ku town dzimwe nguva taienda namhamha sezvo vaive vava driver. Umwe musi
takatoenda zvedu kutown for shopping. After shopping takapinda pa creamy Inn,
ndiye dhuma dhuma namai Tino vagoti kutukirira amai. She called her all sorts of
names amai zve noise vaisada vakaramba zvavo vakanyarara.

Amai Tino vaya pavakaona kuti amai havasi kuvapindura vakatanga


kuvadhodhonya. Before she new it vakanga vakuyerera ice cream pahembe. Rue
couldn't stand her insulting our mother akavadira ice cream yake yese agobvuta
yangu akavadira as well. Ndivo vakazobvapo vakunyara zvino vakuteerwa
nenhunzi.

Ndakaseka veduwe uku Tino aitosekawo mai vake. Amai vakazotitengera imwe
ice cream tikabva taenda zvedu kumba.

Amai Nyevero vaishungurudzika nekudzingwa basa kwa Rambwai , but vaishaya


kuti voitanga sei nyaya yacho kuna Joze . Plus vaisaziva how will he react if he
learn that Rambwai was his x husband aigona kubva atotadza kuvadzosa pabasa.

Yes Rambwai akanga avarwadzisa asi vaingoti vegeance is for the Lord. Imwe
nyaya yaivanetsa ndeyavaive vaudzwa kuti havachaita mwana, Joze aizozvibvuma
here kugara nemukadzi asingazvari? Vakanga vazvipira kuudza umwe wavo
chokwadi before its too late.

Vakasendera Joze sms vachiti vane zvavaida kuzomuudza manheru kana adzoka.
Iyewo Joze akati ane zvaaida kuvaudzawo. So vaviri vakafungiranaka ava regai
tigoona zvaaida kuudzwa Tambu na Joze.

Zvakadirwa mai Tino ice cream na Rue vakaita BP chaiyo. Sure kamwana aka
kangandinyadzisa kudai? Ndichakabata zvangu, shasha yaitaura yega. Vakafonera
asahwira va Joze vachitsvaka plan B.

Rambwai mwedzi wanga wakutopera asina kana paanzwa basa. Foni chaiyo anga
asisina akanga aitengesa $15 kuti awane kamari ke ufu. Anga atova rombe
sekutamba sekuseka.

Manheru takati tatopedza hedu kudya Tino akangotanga kurutsa nekuchaya. Aaah
ndakazongona Tino apasi, uncle na mhamha vakamhanya naye ku hospital.

Joze akafonera asahwira vake telling him about Tino. Akafonera zvekare amai
vake. Vakasvika kuchipatara mwana akaiswa pastretcher bed omhanyiswa
kunoonekwa kuti chii chaitora dzvimbo. Pasina nguva asahwira va Joze
vavasvikawo nemukadzi wavo. Mai Tino ndovakazopedzisira sezvo vaiita zvema
kombi.

Mai Nyevero vaingonamatira mwana kuti aite zvakanaka. Doctor vakanga vatarisa
mwana vaiti mwana arikuda kuwedzerwa ropa mumuiri aive adya chikafu chine
poison.

Hapana akabvunza zvakawanda ipapo, Joze akati vatore rake ropa vape mwana
wake. Asi rakaramba ku matcher. Vakatestwa vese nana mai Nyevero naivo mai
Tino vachitsvaka anga matcher ropa remwana. Sezvinei ra sahwira va Joze
rakamatcher zvaro mwana akapiwa ropa akabva out of danger .

"Ndingaonawo here baba vemwana?" Doctor vakadaro Joze akasimuka akananga


kuoffice kwadoctor vaya.

"Garai zvenyu pachigaro icho baba, baba mungaita here ruzivo rwekuti mwana
poison aiwana pai?" Doctor vakabvunza.

"Uhmmm I'm suprised doctor nekuti chikafu chaadya ndochatadyawo so


ndikutoshaya kuti zvafamba sei."
Joze akapindurawo chokwadi chake.

"Nyaya hombe yandakudanirai muno ndeye matests ataita aya, ropa renyu raramba
kumatcher uye rikuratidza kuti you are not the father of that child."
Doctor vakambomira vachida kuona reaction ye client yavo.

"What do you mean doctor? Are you saying I'm not Tino's father?" Joze akabvunza
aita kusimuka zvino.

"Calm down Mr Matsvai, yes Tino is not your child and I'm scared to tell you the
truth. Tino's father is the man who match with his blood."

"So you mean all along ndaichengeta mwana asiri wangu? But how could my best
friend do such a thing to me?"
Joze akataura neinzwi raive neukasha mukati. Haana kuzombomirira kuti doctor
vataure zvimwe akananga panze paive pakamira vamwe.

"So you my best friend you betray me like this right? How could you sleep with
my wife behind my back? How could you?"
Joze akataura achipa shamwari yake chematsengadzungu.

Vanhu vese was surprised even ivo mai Tino all along vaisamboziva kuti mwana
haasi waJoze. Joze akazobatwa na mai Nyevero kuti asarova sahwira wake asi
ataure nyaya yake 1st.

Joze akatsanangura nemo nemo mataurirwe azvaive zvaita nadoctor. Mai Tino
vakaona kuti chavo pana Joze hapachina kana mari yavanga vakupiwa obvious
yaito cancelliwa. Vakabva vafumurawo kuti zvose zvavaita vaitumwa nasahwira
waiye Joze nekuti akavenga mai Nyevero.

Zvese nezve poison vakataura kuti it was his idea kuisira mai Nyevero poison kuti
vafe. Poison yaive yapiwa gadern boy paakanotora sadza rake akasiya amwaya
poison muplate yaaziva kuti ndoinodyirwa namai Nyevero. Sezvineiwo Tino
akachemera plate iyoyo akapiwa zvake na mai vake ava vaisada kuti vana
vacheme.

"How could you be so evil like that? Unoda kumuuraya akakutadzirei Tambu? I'm
so disappointed in both of you. Ma bills emwana will pay but achingobuda the best
anonanga kwababa vake ava. Tambu let's go."
Joze akataura akutofamba kuenda zvekuti vatatu ava vaizozvifambisa sei it was
their own business.

Mukadzi wasahwira wa Joze akasara akaudza mai Tino not even to think of
coming best her house. Nemwana wavo vakadzi vanozvionera vakabva vadhonza
murume wavo ndokupinda mumota kwakurova pasi.
Mai Tino nekufurirwa vakazosara vapamhene. Pamwe dai mwana asina kurwara
Joze aisazomboziva kuti mwana haasi wake. Asi zvazvonzi amai vanoziva wani
kuti mwana ndewani chero vakaziva vanhu 20 zuva rimwe. Ko mai Tino kwaive
kupusa here or vaizviitisa zvavo.

Joze na Tambu hapana akataura neumwe kubva zvavakabva pa hospital apa. Kana
nyaya dzavaida kuudzana hapana akazokwanisa kutaura nemood yavaive. Samai
Nyevero stress yanga yatowedzera. Knowing kuti Joze haana mwana apa ivo
havachazvara uhmmm vakanga vamujeri ravo vega zvavo.

"Tambu wauchida kundiudza something right? Can you tell me now?"


Joze broak the silence.

"No dear it's nothing serious ,will tell you tomorrow wagadzikana don't worry."
Haana hake kupikisa vakazosara vasvika kumba vakutotaura havo dzimwe nyaya.

Vachisvika kumba vakawana girls dzarara zvadzo. Tambu akaita coffee vairi
vakamwa vachironga upenyu.

"Mamuchiti you want to tell me something what is it ?"


Tambu akabvunza aona kuti Joze pfungwa dzake dzaive kure aida asafunga zvanga
zvabva kuitika. Asi zvinhu zvakadaro haumbotadzi kuzvifunga, it's not easy
kuzoudzwa kuti mwana wauri kuchengeta haasi wako onzi ndewe best friend yake
on top of it.

Joze akaseka zvake akati aizomuudza kana iye amuudza zvaaida kumuudza 1st.
Vairi vakazoonekana mai Nyevero voenda upstairs kwavo Joze oendawo ku
bedroom kwake.

Joze akarara achiplanner kuenda nemudiwa wake nevana kuVic falls


kumbonofurwa nemhepo. Asati arara akafonera amai vake achida kuvaudza about
Tino.vChembere haina kudaira foni yaitya kuti pamwe inozobvunzwa zvisizvo.
Akatozofona pa fon pa baba vake ndokuvaudza zvakanga zvaitika.

Chembere yacho kungwara yaiteerera conservation yemwana nababa vake


vachingokata foni yakanga yatotanga.

"Saka moda mwana aroore munhu ane danga revana kudaro iye asina kana
mwana? Talk to your son please asiyane neka chembere kaya kanenge kakadyisa
mwana wangu nxaa."

Baba va Joze havana chavakataura vakatozvifukidza musoro kwakurara zvavo.


Kkk asi mai va Joze ka vangati chembere kuna mai Nyevero? Ko ivo vozonziii?
Wotoshaya vaifunga sei chaizvo chaizvo.

Takamuka amai nauncle vatobuda maybe vanga vanoona Tino ku hospital. Tambu
akanga amanikidza Joze kunoona Tino achiti mwana haana mhosva the father she
knew is you. For sure vairevesa Tino baba vaaiziva ndi Joze.

Vakawana mwana achinzi a right zvake aizobuda manheru emusi uyu. Ko iko Tino
kacho mafariro aakaita achiona baba vake na mai Nyevero ko aizivei zvake
mwana.

"Dady pamunouya kunditora takuenda kumba muuye naNama."


Kakatotaura kachifara zvako kasingambozive kuti kunze kunei. Baba vacho
vakangogutsurira musoro kwakubuda panze.

Vana amai vakanonoka kudzoka, sevanhu tatajaira kudya kuseni seni nzara
yakanga yotibvunza mutupo zvino.

Ndakaenda panze ndichida kudaidza garden boy kuti atiitire stove on. I was
surprised ne.............!!

END OF CHAPTER 38

STAY TUNED FOR THE NEXT CHAPTER SOON


LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES AND
SHORT STORIES

HAPPY READING ......LOVE YOU ALL!!!

NYEVERO

Chapter 39

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Ndakaenda panze ndichida kudaidza garden boy kuti atiitire stove on ko isu
tatajaira zve matches nehuswa kwedu kumakudo ku Harare kubva zvatauya amai
ndovaingobika zvavo. I was surprised netsamba yaive mu room make ,so does that
mean he was the one who poison Tino? Ndakaenda netsamba iya ndikaisa mu
drawer re kitchen unity .*

Sezvo papasina anotiitira stove on ndakadira drink nema ramba waraira tikamwa
zvedu takamirira vana amai kuti vadzoke.

Uncle na mhamha havana kuzombotora nguva yakareba vakanga vauya. Thank


God vakauya nema takeaways , nekuti hama dzangu mbiri idzi nzara vaive
voinzwisisa chokwadi. Asi kumusha twaisambonzwa nzara yakadaro .

"Nyevero enda unondidanirawo garden boy ku room kwake ". Uncle vakadaro
vachidzvuta zvavo coffee yavo . Joze akanga asina kuzowana mukana wekubvunza
garden boy wake maererano nenyaya yaakanga anzwa kuchipatara. Chaakanga oda
kumupa mari yake orova pasi.

Ndoaive mafungiro ake ,mukomana aive atorova matunhu kare . Zvaakaisa poison
akanyora tsamba yekukumbira ruregerero ndokuenda . Thank God hapana akafa
nekuti aitozoenda kujeri for the love of money kunge yaaitambira yaive shoma.

Ndakangoti kwanyanu pandaive ndokunotora tsamba iya ndokutambidza uncle .


Ndakaona uncle vakudzungudza musoro vachitambidzawo mhamha tsamba iya.

"Uncle Tino asei? Uye achadzoka riini?". Ndakatoti gandibvunze nekuti hapana
anga ati atiudza kubva zvavakaenda na Tino ku hospital .

"Tino anzi ava right my angel achabuda hake manheru, asi achamboenda na
mhamha vake ". Vakapindura uncle nekubva vasimuka vonanga ku office kwavo.
Ndakaona hangu kuti something was bothering him asi handina wandakakwanisa
kubvunza.

Rambwai basa rakaramba kumuka for good ,ka $15 kakatengesa foni kakasvika
pakupera. Tumudziyo twese akanga apedza kutengesa kuti awane
chekudya.Shasha yakatsvaka chimwe chekutengesa kuti idzokere kumusha . Bed
ndoyega yanga yasara akaitengesa $10 ndokuita bye bye Chivhu . Chokwadi
munhu akapiwa $5000 wodzokera kumba uri 1 2 1 2 aaah ndozvoratidza
kusakwana izvozvo.

Ko iye mwana achazvarwa aizopfekei?. Chasara kutonochera mbeva achitengesa


kundari.

PaMurambinda ngoma ndiyo ndiyo Mai va Joze vakaramba vakashinga neyekuti


havasi kuzoda muroora. Mai va mai Nyevero ndovaitiwo tozoona, chembere mbiri
ushamwari panga pasisitorina apa nenyaya yema secrets avo aya.
Joze zvaakapinda mu office make he pay ma tickets e ndege for 5 people e Vic
falls . Anga afunga kuendesa vana kumafaro vasati vadzokera kumusha .

Uncle vakazobuda vakatipa mari kuti tiende for shopping na mhamha ivo vaisara
havo doing his work . Takanzi tikasire kudzoka sezvo taizosimuka kuenda out na
1500.

Seni ndakanga ndanonokerwa nekudzokera kuchikoro. Ndaida kunozuwira vamwe


kumusha. Kuzoti Rue haya nenhema nenhema ainodzitaura chete nekuda
kukoreswa.

Takatenderera zvedu town ,ndichiona vamwe vana vaine vabereki vavo vese
ndainzwa moyo wangu kurwadza. Ko vedu baba vakazvitadzawo sei?. Now
someone like him is taking care of us .

Before I knew it tatapedza kutenga zvataida for the 1st time amai vakatitengerawo
ma jean trouse. Takafara veduwee trouse tairiona rakapfekwa nevamwe nepa TV
chete ndaingoti musi eandopfekawo trouse kana step ndochinja.

Takasvika kumba uncle vatopedza vatomirira isu. Hatina kuzombotambisa nguva .


Takatopfeka ma trouse iwayo ko iko kufitwa ungazomboti tisu here taipona
nemaricho . Aaah upenyu hwakaoma chokwadi . Amai vakanamata tisati tabuda
zvedu.

Takaona pauya taxi zvakatondinetsa kuti ko why uncle vasiri kuda kuti tiende
nemota yavo ?. Ko ndaizivei hangu takapinda zvedu mu taxi muya. Ndakaona
takubuda mu town kune road yakanaka naka kuine mufananidzo yendege ini aaah
ko ndoipi iyi?.

Pandakazoona pakanzi welcome to Harare Airport hana yangu yakatanga kubika


manhanga. Ndaigaronzwa kuti munhu 1st time yako kukwira ndege unotorutsa,
ndandakutya kurutsa hino asi kamwe kamoyo kaifara kuti ndakunokwira ndege.
Ndakatarisa Rue ndikaona haikona Shasha ikusekerera yega hameno zvaifungwa.

Takasvikoisa ma bag edu 1st isu kwakuzoenda hedu papera 20minutes . Nama aive
akatakurwa hake na uncle ini na Rue tichizvifambira .

Pandakaona zinhu ratainzi tikunokwira ndakamboda kutiza, asi ndakazvishingisa


pandakada kuti Rue hausi kutya here ? Ndakaona ndichitotaura ndega zvangu Rue
kana kuti nditi aive aendepi ndakatadza kuziva.

"Mom handisi kuona Rue hameno aendepi ". Ndakataura ndakuda kutochema
kutya kuti pamwe ndaizorohwa kuti ndaisepi mwana.

Rue zvaakaona vakusvika pandege akadzokera kwavaive vabva achimhanya kutya


ndege zvake.

Uncle vakapa mhamha Nama ivo vakamhanya kwataive tabva nako kunotsvaka
Rue . Ndakaona vakuuya naye apa achibongomora mhere hanzi handidi kukwira
ndege inondiruma.

Ndakamboda kuseka zvangu , asi nekutyawo kwandaitaka ndakangoti ko uncle


vadiko kuti tiende nemota nhai. But papasina option apa. Rue akatokwira akabatwa
ruoko kuti asatiza kkkk ayas ungazomboti ndi Rue uya wema firimu? Akanga aita
kupusa zvino misodzi iri muhuro.

Pakazoita basa ndege yakusimuka veduweeka kana nanhasi ndikazvifunga


ndonyara. Mhere yandakaridza ka kana vanhu vese vakatombonditarisa kuti
mwana uyu aitweiko ko iko kurutsa handichatauri zvangu mungatozotadza kudya
matemba enyu amabika.

Amai pamwe vakazvishingisa semunhu mukuru hameno . Asi Rue na Nama aah
taive mu same catalogue .
Pasina nguva ndege yakanga yasvika kwataienda. Uncle vakazoti votiseka zvavo
vachitamba nesu. "Moda tidzokere futi ne ndege here girls or toenda zvedu ne bus
pakudzokera?". Vakabvunza uncle uku vachiseka zvavo.

"Toenda zvedu ne bus uncle". Akapindura Rue akarova ma serious haikona anga
asisade zvekurutsa mwana wa mai vangu.

Takatambirwa zvedu kwakuratidzwa ma rooms ataizogara uhmm veduwee kune


dzimwe nzvimbo dzakanaka. Takaita good week tiriko tichifara zvedu ma photos
takatorwa hobho nembasera.

Joze umwe musi akatorana nemudiwa wake vakabuda vana vakasara zvavo
vachitamba.

"Tambu nhasi dakukuudza chokwadi about something". Mashoko aya


akavhundutsa mai Nyevero kuti chokwadi chaida kutaurwa neumwe wavo chaive
chei.

"I'm all ears what is it ". Tambu akapindura kahana kachirova.

Joze akatanga akosora kosora kugadzira pahuro kwakuzoti, "Tambu munhu


waunoshandira ndimainini vangu munin'ina wa mhamha ndakati handingakuudzi
day randakazviziva, even ivo handisati ndambovaudza. Forgive me ndaitya
kukuudza kare ndaisaziva how will you react ".

Sezvo vaivewo neyavo nyaya yavaida kuudza Joze vakangovutsurira musoro kune
zvaaitaura .

"Waida kundiudza something that day handiti? What is it ?". Akabvunza Joze
akanyatsotarisa Tambu mumaziso .

Mai Nyevero vakashaya pekutangira, vakazongorovera moyo kudombo vakati


chauya chauya. Vakati ganditange nezve mbereko .
"Nhai Joze tomboti ndonzi handichaita vana will you be comfortable to stay with
me or you will marry another woman for the sake of kids ?".

"I will stay with you not because I want kids or what but the love I have for you ,
vana inga varipo wani nhai Tambu vatatu vese uchada vamwe here ?". Akapindura
achiseka zvake Joze .

"OK ,nekuti ndakanzi I might not have kids again so sezvo iwe usati wane mwana
I thought unozobatikana nekungochengeta vana vangu ". Amai Nyevero
vakaenderera.

"It's okey Tambu don't even think like that ,your kids are my kids too I will love
them like they are my own . I know baba vavo vanogona kuvatora one day but
pandichange ndinavo I will be a good dady to them I promise ". Joze akataura
zvaive nekurevesa mukati .

"And one more thing Joze , my x husband ndiye munhu wawakadzinga basa ku
company kwako ku Chivhu that day . Can you do him a favour please just give him
his job back please !!". Amai Nyevero vakataura havo asi vaitya kupopoterwa.

"What? You mean your x husband was my employee ? What will people say if
they come to know that I take my former employee's x wife ?". Joze akasimuka
akatanga kufamba famba pfungwa dzaive dzisisina kugadzikana. But akatozoona
kuti papasisina going back nekuti Tambu aimuda.

"Sorry shaa I overeact for nothing ,ndichafonera manager kuti vamudzose pabasa
but he will be transferred to Gweru onoshandira ikoko ". Joze akapindura. Vairi
vakazofara zvavo vachironga how they want their wedding to be like . Asi amai
Nyevero vaisimbirira yekuti havadi white wedding vanoda havo court wedding .

Vakazodzokera zvavo ku hotel kwavaigara zuva rovira.


Takazodzokera zvedu kuHarare ne bus zvaida povo aaah zve ndege takaramba
uhmmm. Mazuva edu ekuti tidzokere kumakudo aive oswebera zvino.
Takatengerwa new uniforms ne bhutsu dzacho nema satchel , vainotiona
paMakumbe ipapo.

Amai va mai Nyevero vakafonera mwana wavo kuti kana obva kuHarare agouya
nekumba kwavo pane munhu wavaida kuti vaone. Amai Nyevero vakabvumira asi
vainetseka kuti angava ani wavaida kunzi vaone.

Rambwai ndiye akanga ave mufudzi wemombe dzamai vake. Uku aive ogarorwara
rwara pamwe yaive stress hameno. Vakanga votamba nhamo tsvuku ndi ambuya
neumwe munin'ina nekuti anovapa chikafu panga pasisina. Changa chasara
kudzokera kumusha kwavo hameno vainopinda neipi sezvo vakambobva
vachivhaira semvura iri pamoto .

Tichiti tikudzokera kumusha mangwana uncle vakauya vachideedzera suprise


suprise !. Ndakatoshaya kuti suprise yei patakabuda panze kudai kuona a brand
new car yakanyorwa kuti Tambu ,pamusoro paive pakanzi happy birthday Tambu.

I couldn't believe that I forget my mother's birthday . Takabva tatoimbira amai


nekumhanya kunopinda mumota new one yaive nema ribbon . Uncle vakazosara
vosvitsa amai ma papers emota isu takanga tatogara mumota kare kuita kunge
yedu.

Amai vakachema nemufaro, ndakati mwari itai amai vangu vagofara nekusingaperi
in her life . Amai vakaenda nesu for a joy ride takabva tatonodya out kekupedzisira
. Upenyu hwepa dhorobha hwaive hwonakidza manje .

Takadzoka nguva dzekurara dzakwana sezvo taida kumukira munzira amai


vakanamata vakatiti torara ivo vakasara havo vachikurukura na uncle .
Yedu yekuda kuona zvinenge zvichiitika iyi, ini na Rue takasiya Nama ku
bedroom kwavo isu kwakunyahwaira kuda kuona kuti vairi ava vaiitei.

Taka........!!

END OF CHAPTER 39

STAY TUNED FOR CHAPTER 40 SOON

LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORES AND
SHORT STORIES .

HAPPY READING .....LOVE YOU ALL!!!!

NYEVERO

Chapter 40

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Yedu yekuda kuona zvinenge zvichiitika iyi, ini na Rue takasiya Nama ku
bedroom kwavo isu kwakunyahwaira kuda kuona kuti vairi ava vakanga vakuitei.
Takanyatsodongorera kwe almost 20minutes pasina kana chaitwa asi vaitoseka
zvavo vachitaura nyaya.*

Ndakazevezera Rue kuti tinorara sezvo paive pasina zvaitwa nana mhamha. Rue
nenharo kakati timbomira pasina 5minutes takaona aah uncle vakusebedza
muromo wavo kuna mhamha mamhanyiro akaita Rue achiti uncle musaruma
mhamha aah ndakangovhomora speed yembwa nhatu ndakananga ku bedroom
kwangu.

Ko iyo hana zvayaive yoita ndakatoziva Rue achataura kuti anga aineni mu
passage tichidongorera. Ndakabva ndafuga gumbeze nemusoro nemusoro apa
mapisiro akwaita ndaiti ndigonzi ndandakararawozve. Zvaive zviroto before I even
think twice ndakanzwa mutsindo yetsoka dzaifamba dzichiuya towards my room .

"Nyevero kasira kumuka ipapo munhu anga akamira mu passage umu wazokotsira
nguvaizve?". Vakadaro amai vachitondifugura magumbeze.

"Haa iwe Sharon ndisiye mhani unoti ndombozvida here izvozvo?". Ndaka ignore
zvangu zvaitaurwa na mhamha kwakutoita sendairota.

Ipapo ndopandakaisara manje Rue akabva anyotsodedzera kuti Nyevero


usanyepedzere kurara iwe uriwe wanditi hona uncle vakuruma mhamha
ndikazomhanya kunobata. Moziva ndakadakumuka kuti ndipe Rue mucheka
wembama asi semunhu ainyepera kukotsira ndakangotarisa Rue neziso rakasara
munzara, ndakamuka kwakunyepera kuzamura.

Amai vakanditarisa neziso riya rekuti Nyevero wakufarisa. Ndakaona amai


vakudzokera ku door ndikati taregererwa izvo kwani vainokiya door kuti
vanyatsoone kutidambura mushe.

"Right kururai hembe tione vasikana ". Amai vakadaro vachitora bhandi raive mu
wadrop mangu. Ndakabva ndatoziva kuti kurohwa ndokwatakutoita amai vaiti
vakakukururisa hembe kana wanga waba tsvigiri waisazomboda kuona kana
panomwiwa zvapo tea, nfakambokururiswa hembe ndaba dovi upto now handidyi
dovi.

Moziva takarohwa zvekuti unotanga uchachema ugosvika pakunyarara


uchingorohwa. Uncle vakambozama kutikumbirira ruregerero asi sezvo door raive
rakakiwa nemukati hapana chavakakwanisa kuita. Takabva taudzwa kuti no more
holiday kumba kwa uncle zvekare ndakanyatsoona kuti amai vaive vatsamwa
nehunhu hwataive taita uhwu.

Takazonyatsorara tatonhorerwa kwete zvekutamba asi zvemazvirokwazvo,


chokwadi kudzokera kumusha takazvimba vanhu vakanga vapedza holiday
zvakanaka pasina kurohwawo yaaa shavi rekuda kurohwa raive ratishanyira.
Ndakachera chikomba ndikati mwari ndibatsirei kusaitazve musikanzwa wakadai.
Chide nemunhu wandaive ndazozviita naye ayas zvakaoma kakazorara
kakungoshinyira kunge shato yamedza kambudzana.

Joze akasara akapindwa nenyadzi kwete dzekutamba, zvongonyadzisa kuonekwa


nevana uchida kukisa mai vavo. Wesi nekuzosvikobiswa muromo kwakaitwa na
Rue akaita seachati pasi vhuurika undimedze, apa ivo sisi Rue hapana chaizikanwa
hwaive usiku hunomwe zvawo.

Pakadzoka mai Nyevero vairi vakamboseka zvaive zvaitwa nemhandara dzavo


mbiri idzi. Before they knew it vakanga vakukisana asi havana havo kuzoita
zvamanga mafunga sezvo Joze akanga apa promise yekuti vaizozviita after
muchato.

Joze aitya kuti mai Nyevero vanozomufungira zvisizvo so all he wanted to do is to


do the right thing first . Vairi vakazotaura havo dzimwe nyaya kusvika
vazoonekana umwe neumwe oyenda ku bedroom kwake.

Musi uyu hope hadzina kutana kubata nemarwadzo uye kunze kwakakasira kuedza
zvakandisvota. Dai holiday yaiwedzerwa dai ndakambodzosera calender
kumashure. Sezvo amai vaive vasati vambo driver long distance uncle
ndovakatiperekedza kusvika kwambuya havana kuzombogara sezvo vaida
kudzokera Harare .
"Baba na amai isu takuonai regai timbodzokera kumabasa, my angels mosara
zvakanaka handitika? Musanetsa gogo na mama, Nyevero study hard ukabuda ne
4units to 8units you choose boarding of your choice". Vakadaro uncle
vachisekerera as usual ndakaita sendisina kunyatsonzwa.

Board what ini chaiye kutooendawo ku boarding? Nyevero wemamvemve uya


kutogarawo pa bench nevana veshoroma ku Boarding school? I couldn't believe
what my ears hear . My dream will come to pass now all I wanted was to make my
mother proud .

Amai vakazoperekedza zvavo uncle nemota tikasara zvedu na mbuya na sekuru.

"Inga madzoka mamazimhandara vazukuru vangu maipihweiko ku Harare na uncle


venyu?". Vakabvunza ambuya vachititipa havo maheu kuti timwe. Taita
seticharovana tichiudza ambuya na sekuru zvatakaona ku Harare.

Chakasara musi uyu chine mudzimu wacho . Kuzoti patakavaudza drama repa
Airport sekuru vakaita kuumburuka nekuseka. Takatozogurisirwa kutaura
pakasvika mota yaive yakanaka seya uncle pa gedhi, ambuya na sekuru
ndovakaendako isu takanzi tinotamba hedu mumba.

Joze zvaakaona atosvika maMumurambinda akaona zvakakodzera kupfuura


achionawo vabereki vake. Vakapfura vachitenga grocery rekuvaigira ndokuzoenda
zvavo. Vakawana vabereki vake varipo, amai vaJoze pavakangoti baa kuona mai
Nyevero hana yavo yakatanga kurova zvavasina kunzwisisa.

Chembere yakangoti kwanyanu pasofa pavaive kwakuenda ku bedroom kwavo


vasina kana kumhoresa mwana. Baba vacho havana kumbozvitarisa vakafara
nemuroora wavo nemwana wavo zvevakanganwa vakanga vaenda ku bedroom
havana kana kuvateera.
Chembere yakagaya ikaona kuti ikada kuita hubhanditi husina basa secret yavo
yaigona kuzobuda vakarambwa vachembera vakasiya mai Nyevero na Joze.
Asizve zvaivanetsa kuti vaizotarisana sei na baba vemuroora wavo uyu ivo
vakamboita zvevakuru vese. Shasha yakazodzokera ku launch kwaive nevamwe
vaingoisawo fake smile asi kusekerera chaiko vaisada zvaive nehanya nani
vakatowana vanhu vatopiwa ma snacks ne juicy kuti vadye nemurume wavo.

Tambu na Joze havana kuzogarisa sezvo Tambu akafonerwa na amai vake kuti
adzoke kumba kwaive nemuenzi wake. Mai Nyevero vakanosiya vakwidza Joze
comb ivo kwakudzokera vachiirova zvavo Benz yavo, vaishaya kuti muenzi iyeyei
aive ani chaizvo.

Amai Nyevero pavakasvika pa gate pevabereki vavo vakaona mota yaita


sevakamboiwona somewhere asi vakashaya kuti ndepapi chaipo pavakamboiona
mota iyoyo. Vakasiya vapaka havo mota yavo vonanaga muimba yekutandarira
maive nevabereki vavo.

Patakangoona mota yamhamha takamhanya kunovambundira, uyawo mueni ainzi


auya kuona amai aingosekerera kunge achapindwa nenhunzi mukanwa hameno
chaainyanyosekerera chii chaizvo.

Takapinda hedu mumba maive nemuenzi wa mhamha vakamhoresana asi


ndakaona muenzi ochinja face kubva mukusekerera akanga oita seaona chipoko.

Amai Nyevero pavakaona munhu ainzi muenzi wavo hana yavo yakarova kuona
ari munhu akamboda kuvatamba nyowani. Sezvo vanga vasati vaziviswa kuti
ndiani vakamirira kutanga vanzwa zvaida kutaurwa.

Avawo Bla Lodza vakaita sevachapinda pasi pemasofa nekunyara. Pavakangoona


Tambu vakabva vamuziva Ko vakamboonana havashayanizve. Nyadzi dzakaita
baba ivavo dzinokunda rufu can you imagine kana dai waive iwe wai feeler how?.
"Mai Nyevero mwanangu forgive me my daughter ndakarega kukuudza about your
parents, ndakanyepa kuti handizivi kwavari I'm so sorry my daughter please
forgive me I. ........!!". Ambuya havana kupedzisa zvavaida kutaura muenzi uya
ainzi waamai ati tiba pasi ndiye zii akadaro.

Pakaita batai batai kudira muenzi mvura, ndakashaya kuti ko ma jokes apiko aive
oitwa na baba ivava. Vakazobengenuka pava paya suit yese yati dhabha dhabha
zvino kunge munhu anaiwa.

"Nhai amai handiti hamuzive kune vabereki vangu so what's all this now?". Amai
vakabvunza ambuya zvine kushamisika mukati.

"This man is your father Tambu I'm sorry I lied to you". Ambuya vakataura
vachinengedzera kuna baba vaya kana ini ndakashamisika nazvo, so ambuya
vainyarara all along tichitambura ivo baba va mai vedu varipo?.

"You are joking right? All along you didn't tell me about him why now?".
Pakapindura amai ndakaona muenzi uya akugwadama uku misodzi iri yata yata
pamatama.

"I don't deserve to be your father Tambu, but find it in your heart to forgive me.
Sorry for what I did some month back I'm so so sorry ndashaya kana kuti ndopinda
pai". Muenzi uya akataura achisvimha misodzi.

Amai vakazotaura how she meet her father, ndakavanyarirawo vasekuru vedu
ivava. Takazo introduswawo kune vaizni sekuru vedu ava. Vakati ivo all he
wanted was to see us not to take us from vana ambuya vataive tajaira.

Amai Nyevero vakaramba kunoona pamba pa baba vavo ko handiti vaipaziva here.
Havana kutomboratidza kufara kuziva baba vavo.

Muenzi akazooneka zvake akaenda, isu hatina kuzombogarawo sezvo taivhura


zvikoro zuva raiteera takabva taoneka toenda Gombe kwedu.
Rambwai na mai vake vanga vogara vakasimudzana,aiti huku yangokandira zai
rinenge ratova mupoto. Mombe mukaka anga okama achitengesa kuti awane
kutengera mukadzi zvonaka. Ambuya vake ndovakaoneka vakapiwa ye comb
navamukurungai vavo vakadzokera kwavo.

Manager kubva zvavaudzwa na Joze kuti Rambwai adzoke pabasa akazama foni ya
Rambwai asi yaingoti no longer in use. Ko yaigoita nepiko kana ne line racho aive
asisina.

VaMatsveru musi uyu vakanoswera vakarara nenyadzi chete,murume mukuru


akapfira kachikomba vakati zve hiring and firing vakusiyana nazvo. Zvakanga
zvapotsa zvavapinza pasipo.

Takasvika pamba pasina kana chachinja. Zvatakasiya pakaita ndozvatakawana


zvakatimirira zviripo. Nhamo yekubika nemoto yanga yatangazve, ko iko
kumukira hako kuchikoro iwe wanga wajaira kumuka zuva rakwira woswera
uchitamba.

"Nhai amai ko madii kubvunza sekuru kumusha kwambuya? Pamwe kuchiri


nehama dzavo dziriko at least mukaziva kumusha kwa mai venyu
zvakangonakawo". Ndakabvunza hangu amai pataive takatandara zvedu mumba
yekubika.

"Ndichavabvunza hangu mazuva mazhinji mwanangu". Ndomashoko ega


akapindurwa na amai ini handinawo kuzobvunza zvakawanda.

Zuva rakazosara rovira tatogadzirira zvekuenda kuchikoro zuva raitevera. Kana


amai vakamboseka nekuti taisimborovha day rekuvhura tichiti kunoshanda chete
hakudzidzwe asi apa taidawoka kunotaura zvatakaita pa holiday.

Chokwadi upenyu hunongochinja pamba pedu taisave kana nengoro asi nhasi uno
pakupakwa Benz paruzevha. Takazonorara zvedu amai valanamata tisati tarara.
Musi uyu kwakandinonokera kuedza, ndakanga ndanonokerwa nekunoona
asahwira vangu Sharon ndombovaudza zvepa Harare.

Kwakazoyedza zvako ndakamuka ndikagadzirira kuenda kuchikoro. Tichisvika


kuchikoro mumhu wese aingotitarisa ko zvaitove zvitsvaka kupfekawo uniform ne
bhutsu nyowani musi wekuvhura vanhu vaive vajaira kutiona takapfeka zvigamba
musi wekuvhura. Aiwaka game raive rachinja.

Kana clerk wepachikoro pedu akashamisika achiona ndichibhadhara school fees


musi wekuvhura. Isu taisiyombodzingwa kana ka 5 kuti tizouya nemari.

Takazosara toenda pa lunch chikoro chese chakuziva kuti takakwira ndege asi
zvekuchema hazvitaurwi. Shamwari dzaive dzowanda zvino nekuti taive
takuonekerawoka pane vamwe.

Nguva dzekuenda kumba dzakakwana ndakaperekedzana zvangu Sharon


tichikurukurirana zvaiitika mudunhu rekwaMabika. Ndakanzwa tsitsi ndichiudzwa
kuti baba vangu vaive vakuita basa rekufudza mombe dzambuya kuti vawane
chekudya nemukadzi wavo.

Takazooonekana na sahwira wangu ini ndoendawo kumba nekuti Rue aive aenda
aigona kuzongonotaura nhema zvake kuna amai.

Mazuva akafamba ikava mwedzi all was well for us uncle Joze vaipota vachiuya
kuzotiona. Isuwo takanga takupota tichimboenda kwaambuya for weekends
sometimes taienda kwasekuru.

Mai Nyevero navamwene vavo vaive vapa level iri nani pakuwirirana. Amai va
Joze vakanga vatoona kuti havaihwine nyaya yacho. Ukuwo Joze na Bla Lodza
vaiwirirana especially panyaya dze bhizimusi apa aah zvaikenerana.

Joze akanga azoudza mainini vake vanova vaive boss va mai Nyevero about his
relationship with mai Nyevero. Vakanga vasisabatwa semushandi asi semuroora.
Chaive chotovamisa kunogara ku town ndiNyevero aifanira kutanga anyora final
grade 7 exams ake.

Imwe weekend amai vakati timbonoona hedu vana mai Sharon. Ndakafara
kunoswera zvangu na sahwira wangu tichitamba.

Takatita kutosvika pamba pana Sharon mota yaka.........!!

END OF CHAPTER 40

NEXT CHAPTER SOON

LIKE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES AND SHORT


STORIES

HAPPY READING ...LOVE YOU ALL!!!

NYEVERO

Chapter 41

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Takati takutosvika pamba pana Sharon mota yakabva yamira ndakatoshamisika


kuti ko why amai vakumira izvo amai vaive vaona vaimbova ambuya vedu
vakatsimbirirwa nebhagidhi rainge maviri reufu.*

"Mhamha asi mafunga kuvatakura kani ambuya? Mukavatakura mota inogona


kuita accident iyi vasiyei tiende kwatiri kuenda." Akadaro Rue akatotarisa zvake
ku side ndakamboda kuseka ko kuzoti mota inoita accident.
Ivo ambuya hapana kana chavaiona zvavo, vaikanyaira nenzira vachiuya chete. Ko
zvavaive nemuroorazve ndakatoshamisika kuona vakatakura upfu pamusoro. Ko
muroora vaive vaisepi? Amai vangu vaigove nani vaivaendera kuchigayo chero
zvavo vaisavada. Ndakaona amai vakutovhura door kuti vabude kunovatambira ini
ndakati handitombosimuki pandaive ndakagara. Dai ndaigona kudriver amai
pavaizodzoka vaiwana ndarova pasi nemota.

"Makadiiko amai? Ko zvamunenge mucharwara nechipfuva nhai mhai? Madii


kutsvaka wekutuma kuchigayo kwacho?"
Vakadaro amai Nyevero vachitambira upfu hwaive hwakatakurwa nevaimbova
amwene vavo ava.

Chembere payakaona yotambirwa nekuneta kwayaive yakaita haina kana kuramba


wena asi nyadzi dzavakaita? Payakazoona amai Nyevero vovhura boot re Benz
ndopavakazotaura.

"Aah muroora handina hangu mari yekubhadhara mota chindipai ndipedzise


zvangu ndakutosvika." Ndoyakava 1st time yechembere iyoyi kudeedza mai
Nyevero kuti muroora, hino vakanga vanonokera corogeti mazino akaora muroora
akanga aenda nevanoziva zvavanoita.

"Aiwa amai musatya henyu hamubhadhari, pindai ndokusiyai kumba ndauya


hangu kuona sahwira wangu apa pindai ndokusiyai ndozodzoka ndomuona."
Mashoko aya akavhundutsa chembere iyi mai Nyevero vaitotaura vachitopinda ku
drivers seat.

Chembere yakambodongorera mumota kutsvaka muridzi wemota asi haina


wayakaona, zvavaidongorera zvaive mumaziso aRue. Amai Nyevero vakazevezera
vana vavo kuti vagokwazisa mbuya vavo kana vapinda uye to behave kwete
kuzotaura zvisinei navo.
Sezvo kumberi kwaive kusina akagarako amai Nyevero vakavhurira mai vavo ava
door. Chembere yakaita seichapotsa seat negodo kuzoti pavakaona mai Nyevero
vorova mota vakangoramba vakashama muromo kunge vachapindwa nenhunzi
dzaizvifambira.

"Makadiiko ambuya?" Takaitirana pamwechete na Rue ini ndaisatombotaisira


kudairwa asi vakatopindura wena kutozoti vazukuru. 1st time in history ambuya
kutiti vazukuru vavo vakagoti vamudenha Rue.

"Nhai ambuya saka nhasi tavazukuru venyu nhai? Nekuti takufambawo nemota
nhai? Or mangodairawo kuti zvii.....!!"

Rue haana kupedzisa zvaaida kutaura agamwa na amai havana chavakataura


vakangomutarisa neziso raiti ndati kudiii? Hapana akazotaura kusvika tasvika
kwambuya, kana ivo ambuya kana kuzoti bufu hameno vakanga vogayei.

Nama achiona baba kudai akamhanya zvake kunovambundira ko mwana mudiki


haana chitema nemunhu ka. Hapana chaaitomboziva zvake. Tsvina yaive naivo
baba waitonzwa tsitsi kana yedu tsvina yataimboita pataigeza neruredzo inosara
pasi. Kuzoti kakadzi kavo kaita kunge kane zera neni apa kadumbu kakaita kumira
kuti twiii sekadumbuzenene iyo tsvina. Ndakazvidzora asi setswa chaidzo
ndodzaive dzazara pandiri.

Rambwai paakambundirwa nemwana wake misodzi yakatanga kuchururuka. Zvino


Nama kaida baba vako kwete zvekutamba kakatotanga kupukuta musodzi yababa
vake ne top yaive akapfeka. Rambwai shungu nenyadzi negodo zvakamukurira
agoti kupopotera mai Nyevero kuti pfambi wakaenda na boss wangu nekuda
kufamba nemota.

"Ubve wasiya vana vangu pano unonyatsoita chipfambi chako zvakanaka."


Akatukirira Rambwai kana kumbonyara vana vake vaive valamutarisa achiita
mashura ake iwaya.
Amai Nyevero havana chavakapindura vakaramba vakanyarara zvavo kunge
vasipo, kana Rue akatovanyara otherwise dai akaudzwa zvekuti ainozvisungurira.

Patakaona baba vakupengereka takatopinda zvedu mumota kwakugara, seni


zvekusara nababa ndaisatoda ndaitozvimirira Rue wesi. Hameno Nama nekuvada
kwaiita plus nekusaziva aigona kungoti dakusara na baba.

"Woda kusara nevana vako unovapei nhaiwe Rambwai iwe ukutadza kuchengeta
one ari mudumbu uyu?"
Yakati yatengwa zvino navatumbwa.

Amai Nyevero vakanzwa tsitsi vachiona situation yaive nehusband wavo uyu,
vakatoona kuti utano chaiwo pana Rambwai panga pasisina zvachose.

"Handina kuuya pano kuzorwa nemi or kupopotedzana nemi mufunge, ndanga


ndangoti ndisvitse amai vandawona vakaremerwa ava handina kutoziva vasiya
vanhu kumba vachienda nemabhagidhi 2 kuchigayo."
Vakadaro mai Nyevero vachitonotora mwana wavo aive mumaoko ababa vake.

Rambwai akamboda kuramba nemwana asi ziso raakapiwa nemukadzi wake was
too dangerous. Akabva apa mwana kuna mai vake. Chembere yaiona zvayo firimu
iri mukitchen mayo dai godo raiuraya musi uyu, dai mai vaRambwai vakafa.

Amai Nyevero vakaoneka zvavo kwakupinda muBenz yavo vorova pasi. Kana
zvebasa havana kuzombomuudza Rambwai vanga vachamuudza nepi iye
aingogwauta kunge imbwa yatorerwa vana vayo?

Rambwai musi uyu kana kumombe haana kutoenda abatwa ne stress yakamupinza
mumachira nekwaipisa. Akafunga paakatanga kudanana na Tambu vari kuchikoro,
akafunga paakaroora nezvaakazoita akaona kuti akanga azvisikira moto muziso
ega nenyaya isina basa rese. Iyezvino haasisisna kana mwana wacho waanoti
nhaiwe ndichererewo mvura asi airamba vana vasikana. Mwana mwana hama wee
hauzive anokuchengeta ramangwana. Learn to accept zvamunenge mapiwa
namwari ndiye anenge achiziva chikonzero.

Isu kana nekuzomhoresa baba hatina. Mota ichingobuda muchivanze mambuya


chikwee chatakaita kana mhamha vakatombovhunduka. Takazoenda zvedu kwana
Sharon takawana vakatimirira.

"Sahwira ndiwe here wakufamba wakadziruma? Ndiwe here aipona nemaricho?"


Vakadaro mhamha mai Sharon vachiseka zvavo. Isu tichingopedza kuvauchira
takanga takutomhanya kunotamba zvedu.

"Asikana itombondinzwisai mota kusvika pama shops apo tinotenga chingwa."


Vakadaro mai Sharon vachirovana zvavo maoko neumwe wavo.

Aiwa musi uyu vakanyatsokurukura twese hapana kakasara. Zuva rakazosara


rovira vemadziro committee vatofambisa news. Mabika yese yakaziva kuti mai
Nyevero vakuhura uye vakufamba nemota.

Munhu mutema haungamugoni ukaita chakanaka wonzi wahura, vanenge


vachingoda uite wenhamo chete. Manje munhu wavaitaura ndiye aisava netime
yekuteerera makuhwa, all her life mai Nyevero vaisava munhu anoteerera
makuhwa nekuti dai vaizvitsvaka dai vakaonda mazuva aenda Rambwai na
Marwei.

Takazodzokera zvedu kumba zuva rorereka. Amai vaka receiver call kubva kumba
kwana Uncle Joze vachinzi vasvikeko weekend yaitevera.

Mai Nyevero vakatoshaya kuti kwanga kwakanaka here kwavakafonerwa


namother inlaw to be vavo. Havana kuda kumboudzawo Joze about it vakagoti
ndozozvionerawo kuti kunei ndaako.

Amai Tino things were not well with her vakazongonosiira Tino baba vake pabasa
pavo zvekuti mukadzi wake izoti haadi kumuona mwana uyu akazviisa kuside. Asi
ukaona uri mai vanosiira mwana umwe mukadzi unenge usina kukwana. Even
munhu ukashaya chekudya better uite maricho kuti uriritire mwana wako than
kupa umwe mukadzi akaita sewe mwana wako.

Yes sometimes munhu unogona kuita mwana by mistake nemurume wemunhu or


nemukomana chaiye worambwa, but better munhu utsvake kana basa remumba for
you to take care of your child than kusiira umwe munhu mwana wako.

Mukadzi wefriend yaJoze sekutaura kwaaive aita kuti haadi mwana we result
yechihure aitorevesa. Tino aigara achirohwa chikafu chaicho aipiwa nenguva iri
kure mwana anga awonda kusara musoro chete.

Asahwira vaJoze vachiona situation yaive nemwana moyo wakarwadzawo. Shasha


yakamboisa nyadzi padivi kwakutora mwana ndokuenda kunokumbira Joze
ruregerero uye kuti ambogara hake nemwana kusvika iye muridzi wemwana
azotsvaka imwe plan. Joze haana zvake kuramba nekuonawo kupera kwanga
kwaita mwana uye semwana waakambochengeta unknowingly kuti haasi wake
akatora mwana akati aizonomusiya kwaMurambinda kuna amai vake.

Takasvika kumba zuva ratova muna amai varo, sezvo taive tabva tadya
takasvikovesa moto wekuti tigare zvedu tichitandara.

"Vanangu huyai mugare apa ndoda kutaura nemi." Vakadaro amai vachibata bata
zvikuni zvaizvibvirira zvavo muchoto.

Ndakatoshaya kuti ko amai vaive voda kutiudzei zvekare. Takaenda zvedu


tikanogara takateya nzeve kuti tinzwe zvataida kupakurirwa naamai.

Amai vakambotanga vagadzirisa pahuro kwakuzoti,


"Vanangu handidi murase baba venyu kunyangwe mukazonzi maita mari ndoda
mugorangarira baba venyu. Ini ndichange ndakunogara naUncle Joze manje manje
vanova ndivo vanenge vave baba venyu, mofanira kuita hunhu vanangu kana
anenge achikuchengetaiwo anofara kuchengeta vana vanoteerera handitika? You
have to respect Uncle Joze vanangu, kana pane anenge asingadi kunogara naUncle
you are free to tell me, all I want is for you to be happy."
Amai vakadaro.

Takamboramba takanyarara zvedu tichifunga zvaive zvataurwa na amai. Ini


nekunzwa ma stories evana vanogara nana step father kuchikoro I was not ready
kunogara na step father asizve ndaisada amai vagofunga hatisi kuda kuti
vawanewo kufaro muhupenyu hwavo.

"Mhamha saka uncle Joze vanenge vave step father vedu?" Akabvunza Rue amai
vakagutsurira musoro.

"Uhmmmm ini hangu ndosara kwa gogo kwaMurambinda, mhamha handidi


kugara na step father ndoda kuzouya ku holiday chete." Akadaro Rue akatorova ma
serious iniwo kuti ndichiramba kunogara navo ndakatya kurwadzisa amai
ndakangoramba zvangu ndakanyarara.

"It's okey Rue ndichataura na ambuya vako kuti ugosara navo." Vakapindura amai
hatina kuzombogara zvakanyanya mu kitchen amai vakanamata tikaenda zvedu
kunorara.

"Nhai Rue why waramba kunogara na uncle Joze? Hauchadi kunogara kuHarare
here?"
Ndakabvunza hangu Rue taku room kwedu.

"Kana iwe uchida kuenda unoenda wakanyarara kwete kuswerondipinza court


pano yekuti why ndaramba." Akapindura zvake mwana wa mai vangu achibva
atofuga zvake musoro. Nyangwe ndozosangana nemunhu ane rough Rue aive
kumberi.
Ndakatora zvangu book rangu ndonyora homework yemaths yandaive ndisati
ndaita sezvo ndanga ndisati ndane hope.

Zuva rakateera takamuka tikatogadzirira zvedu kuenda kuchurch sezvo yaive


Sunday. Amai vakanga vakutopopota kuti tichiri kuitei mumba sezvo ivo vaive
vatopedza vatimirira mumota.

Patakabuda tichimhanya na Rue I couldn't believe what my eyes see, pa..........!!

END OF CHAPTER 41

NEXT CHAPTER SOON

LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES AND
SHORT STORIES.

HAPPY READING .....LOVE YOU ALL!!

NYEVERO

Chapter 42

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Patakabuda tichimhanya na Rue I couldn't believe what my eyes saw, takaona


baba vari busy kutema tema front screen remota ya mhamha. Back screen panga
pasisina, ma lights aya panga pasisina ndakashaya kana word rekutaura asi
kungovatarisa baba vari busy nekutema tema mota yaamai."*
"Kasira kundipa vana vangu kana usingadi hondo neni, ndozviparadza zvese
zvaunopiwa navamu boyfriend vako, ndipe vana vangu handichengeterwi vana
neumwe murume ndiripo ini. Kana wafunga kunohura wonyatsoenda uri
Tambudzai kwete mai Nyevero."
Vaipopota uku vachitema tema mota yaamai ndakashaya kuti vanga vabatwa ne
demon ra Cain here baba? Demon reshanje chairo rekusada chakanaka.

Amai vaive vakangomira zvavo vakavatarisa havana kana shoko ravakataura kana
kuzama kubata baba havana.

"Saka nhaimi baba maona zvakakodzera kudestroyer mota yamhamha? Mafunga


ndozvichaita mutitore here? Pamaitiramba maive musina here maziso amava nawo
nhasi aya? Chamakunyanyotidira nhasi chii chaizvo? Handiti makati moda vana
vakomana here imi? Tava vakomana here nhasi?"
Ndakataura nehasha ndakanga ndabatikana nehunhu hwababa uhwu. How could he
do such a thing nhaimi? Kana ivo uncle vachizoudzwa mashura akadai naamai
vaizotiii nazvo?

"Kana muri semi nyararai zvenyu itosanopakai tumadhende twenyu ndikuenda


nemi nhasi, hamunyari kusapota chihure chamai venyu?"
Vakadaro baba vachitoita semunhu aive agarwa nemweya wetsvina.

"Hehehehe madhende moaziva here mukaaona imi? Madhende ndeamakapfeka


ayo isu hatisisiri vemadhende baba vedu vatsva vanotitengera hembe dzakanaka
vasiyana nemi, plus zvekuenda nesu kanganwai henyu baba nekuti imi hamuna
mwana sekutaura kwamakaita kare, ini handina baba vakaita semi baba vangu
vanyowani ndovakatenga mota yamuri kutema tema iyoyo, hameno kuti
hamunyari here kuuraya mudziyo wakatengerwa amai neumwe munhu?" Akadaro
Rue achitomhanya kubva pamba hameno kwaive oenda.
Ndakaona baba vakuzvitarisa hembe dzavaive vakapfeka. Mashoko aive ataurwa
na Rue aive ababatata chete ko Rue aive mafira kurevazve waitoti audzirwa ukaona
achitaura. Zvimwe zvacho zvaibvawo kushamwari yake yaaitamba nayo yaive
mhepo yaNyamavhuvhu chaiyo.

Joze zvaakasirwa mwana akakumbira amai vake kuti vambogara naTino for a
while but vakaramba kuchengeta mwana asiri wemwana wavo. So Joze akafunga
kuenda hake nemwana kuna mai Nyevero aiziva kuti havamborambe kuchengeta
Tino nekuti aiziva kuti vane moyo wakanaka.

Rue zvaakamhanya akaenda pa Makumbe police station kwakunouya


akadungamudzana nemapurisa maviri hameno kuti aive avaudza kutiiiwo.

Ndakashamisika kuona Rue achisvika nemapolisi maviri vasati vambodiii uncle


Joze vakabva vasvikawo ndakanzwa kunyarira vangu baba uye kuvanzwira tsitsi
chaiko. Ivo pavakaona police vakanga vachi udzvura maziso hino kana iye muroyi
awanikwa achidya nyama yemunhu paguva.

Joze achiona mota yasakadzwa akashaya kana chekutaura. Akangomhanya


kunobata mai Nyevero asking her if she was okey or vanga vakuvadzwa with her
X husband.

Rambwai achiona boss vake akaita seachazviwetera nekutya. Akaziva kuti kana
kujeri anogona kuenda nekuti Joze aisava munhu wemhanga mhanga.

"Baba you are under arrest for destroying someone's property, you have the right to
remain silent and.......! Muprurisa uya haana kupedzisa zvaaida kutaura agamwa na
amai.

"No officer don't arrest him toraurirana." Vakadaro amai asi uncle vakati baba
vaende nemapurisa aya. Baba vakaiswa cheni dzemapurisa dziya vakabva vaendwa
navo, kana ku church takazombokuenda here nemuyedzo wakanga wauya uri
mungoro uyu.

Ndakatarisa zvangu amai ndikaona vaisaratidza kufara pachiso, vanenge


vairwadziwa kuti baba vasungirwei hameno. Takazopinza hedu zvinhu zvakanga
zvauya na uncle mumba zvekusvondo takabva tatokanzura.

Uncle vakazotorana na amai voenda kwaive kwaendeswa baba, vakatoona kuti


amai vakanga vongoimba kuti baba vasavharirwa. Mai Nyevero vaitya kuti vanhu
vaizotiii? Vaizonzi vakasungisa baba vevana vavo nekuda kwemota? So vaida
Rambwai abude zvake.

Joze haana kuitawo nharo asi haana kufara mumoyo make. Akatofunga maybe
Tambu haasati aita get over her X husband, asi semunhu aida umwe wake
akangoteedzera zvaaida. Vairi vakasvika ku police kuya Rambwai achirohwa
kwete zvekutamba vakaita kuti Rambwai abuditsiwe, asi akapiwawo peace order
yekuti haasvike padhuze na mai Nyevero or vana vasina kuwirirana.

"Baba Nyevero mudzokere kubasa uko muwane kushandira mhuri, ndakakumbira


boss wenyu kuti mudzokere pabasa."
Vakadaro mai Nyevero vachiti varikubstsirawo munhu.

"Handishandiri munhu akanditorera mukadzi ini, akuudza kuti ndikutambura


ndiani? Handichidi chibasa ichocho siyanai neni I don't need your help."
Akapindura Rambwai achitofamba kuenda kana kumboti maita basa
nekundibuditsisa ko iyo pride yekuramba basa iwe uchitambura.

"Tambu shamwari wazvionaka kuti munhu waunonzwira tsitsi uyu haabetsereki?"


Akadaro zvake Joze achiseka ivo mai Nyevero havana chavakapindura.

"Shaa ndauyawo na Tino akauya na sahwira vangu hanzi wife yake haisi kubata
mwana zvakanaka, unokwanisa kumuchengetawo here for the mean time amai
varamba hanzi handichengete mwana asiri wako saka ndazouya hangu naye
kuno."
Akaenderera Joze, amai Nyevero vakabvuma zvavo vakati mwana haana
chaanoziva vanochengeta ko aida kuberekwa here munhu aive ozvitambira hake.

Rambwai akasvika kumba akaita kuwuna wuna kunge munhu anaiwa.


Akatobvunzwa namai vake kuti ko demo aive asiyepi raakanga abuda naro.
Paakatsanangura nyaya yake mukadzi wake akaumburuka zvake nekuseka amai
vake moyo wekubereka wakarwadza vakaboilisa mvura kwakupisa pisa mwana
musana waive waita kututa kunge churu chemajuru. Hakuna mubereki asingadi
mwana wake chero akaita nzenza kana mbavha mubereki haarasi mwana wake,
anotomupupurira kuti wangu haadaro.

Takazoswera hedu na uncle tichitaurirwa ma stories. Sezvo Benz yaive isisina ma


lights nema screen uncle vakasiya mota yavo yavaive vauya nayo kuti amai
vagoshandisa ivo vakaenda ne Benz kunoigadzirisa zvaive zvapwanyiwa.

Tino akafara kusiiwa kumba achiona vekutambawo navo na Nama zvaibva zvaita
kunge zvima twins .

Muvhuro takaenda zvedu kuchikoro asi kwaitosvota vana vanobva kumaraini


kwedu vaingotaura about my mother. Kuti vakatenga mota nechihure I couldn't
stand it ndakadzokera kumba after break ndakasvikoudza amai but ivo havana
kutomboratidza kubatikana nazvo. Vakatonditi I must not be offended about what
people say and I must not take it serious. I love my mother sure the way she handle
things was just different, vamwe vakadzi kungonzwa kuti anyeiwa anoswera
achibvunza makuhwa location yese.

Mazuva akafamba zvawo tikasvika mu weekend yaifanira kuenda amai


kwaMurambinda kunoona amai va Uncle Joze. Sezvo yaive weekend amai
vakanotisiya kuna sekuru for us to have bond navo.
Takaswera tichifara zvedu nasekuru I wish dai takavaziva kare, sekuru vaive
munhu aifara zvake hino na Rue vakaibvunzwa mibvunzo hobho neyavaishaya
kuti vopindura sei that's was Rue for him.

"Saka nhai Nyevero muzukuru ukapasa ukuda kuenda ku secondary school kupi?
Newe Rue handiti manje manje unenge wakuendawo ku secondary unodawo
kupi?"
Sekuru vakabvunza, moziva ndakambozvitsunya tsunya ndaifunga ndakarara izvo
aiwa ndaive ndakasvinura wena.

I couldn't believe kuti ndini ndakuwana vanhu vairi vari willing kundiendesa ku
any boarding school of my choice. Musikana aive wezvigamba ndakambotanga
ndaita ka short prayer mumoyo kana sekuru vakatoshamisika nekunonoka
kupindura kwandakaita. Imwe pfungwa yakambonditi nditi ndoda hangu
paMakumbe pedu pekare sezvo paive ne Boarding as well, ndakazofunga
kutaurawo Boarding school yandaingonzwa kuti inodzidzwa ko taizviziva here
zvema best schools kuti ndeapi.

"Ndoda kuenda kuMavhuradonha sekuru, asi ko ndikafoira saka handiendi here ku


Boarding nhai sekuru?" Ndakadaira zvangu ndichikwenya kwenya mhino
nekasiyanwa.

"OK muzukuru, ukafoira ma Boarding school haatori vana vanenge vakafoira so


you have to pass. Ko Rue unodawo kupi?" Sekuru vakadaro.

Rue sezvo akambonzwa vamwe vachitaura about Boarding primary schools shasha
yakangotaurawo kwaakanzwa kuchitaurwa.

"Sekuru handiti Nyevero akuenda ku boarding next year iniwo dakuenda ku


Chemhanza boarding school."
Akapindura Rue akatorova ma serious ndakangoti sisi ava vakuda kuwanzira
sekuru basa aah.
"Wow wow wow inga muzukuru wangu akangwara, no problem vana vemwana
wangu you will all go kwamuri kuda sekuru will pay handitika?" Vakadaro sekuru
vachiseka zvavo. Asi ini ndakakasira kufunga kuti uncle vaive vati vanobhadhara
as well kana ndikapasa saka ndakawona zvakakodzera kuudza sekuru kuti
pasazoita problem.

Amai va Joze pavakaona mota yemwana wavo ichisvika pa gate pavo


vakatombotsamwa vachifunga kuti Tambu aive audza Joze kuti vamudaidza.
Sezvo vaida kuiita surprise, vakazonyevenuka vaona Tambu achidzaka ega
mumota.

"Titambire muroora, ko vana wavasiyepiko nhasi?" Vakadaro mai Matsvai


vachitambira Tambu bangobvunzawo havo vana asi vaisarevesa havo.

"Muchitambireiko amai mawoko chete aya, vana vasara kwasekuru vavo


kwavaMatsveru uko vati vanoda kumbotamba nevazukuru vavo." Vakapindura
havo mai Nyevero vachichingamidza ruoko kuti vakwazise amwene vavo she was
suprised vachipiwa iri hug na mai va Joze.

Amai va Joze hana yakamboti dhi dhi dhi kurova pavakanzwa shoko rekuti
Matsveru. Moziva kana une zvawakaita unenge uine kamwe kakuvhunduka so
kekuti ko nhingi uya akabva ataura zvakati.

Vairi vakamhorosana ndokupinda havo mumba vakadungamidzana amwene mberi


muroora kumashure.

Vakambotaura havo dzimwe nyaya kusvika vasvika panyaya yavaive vadaidzira


muroora wavo.

"Muroora uchiona ndakudaidza kudai ndaona zvakakodzera kuti ndikukumbire


ruregerero for my bad behaviour towards you. Unoziva semubereki
unombobatikana mwana wako akati akuroora munhu ane vana iye asina, asi
ndakatozona kuti Joze anokuda muroora so I'm ready to accept you as my daughter
inlaw. Asi ndinoti take good care of my son you know ndiye gotwe rangu I can do
anything for him that's why I'm accepting you in my family. Vakadaro amai va
Joze vakabata muroora wavo maoko.

Amai Nyevero vakamboyeredza misodzi yemufaro vaisatarisira zvakanaka kubva


kuchembere iyoyi.

"Maita basa amai nekundigamuchira semuroora wenyu mumusha menyu."


Ndomashoko ega akabuda mumuromo ma mai Nyevero .

"Chimwe chandakudedzera vana tete na bamukuru vako varikuuya next weekend


so daundibetserewo kugadzira ma rooms avo uye ndoda uzovepo musi
wavanosvika kana zvichiita." Vakaenderera amai va Joze.

"Zvakanakai amai ndouya zvangu hapana chakaipa ndi......!" Amai Nyevero


havana kupedza kutaura zvaaida door remu launch mavaive rakabva ravhurwa Joze
na baba vake vakabva vapinda.

Sezvo baba va Joze vaive vakaenda Harare kunoigadzirisa ma papers ekubasa


kwavo mwana komana wavo sezvo paMurambinda aipaita padhuze akanga
aperekedza hake baba vake ne Benz yamai Nyevero sezvo yaive yatosotwa ne boys
re Harare.

"Ko mhazi matodzoka? Ndafunga muchamboita tumazuva muri kumukomana


ndandichida kumbonyeya zvangu nemuroora wangu." Vakadaro amai va Joze
vachitambira ma paper bag aive nemurume wavo. Joze akatomboshamisika
achinzwa amai vake vachitaura kuti muroora.

Vakazogara havo pasi ndokukurukura, amai vakazoudzawo mwana wavo kuti she
was ready to accept Tambu as her daughter inlaw.
Pakafarwa kani pamba musi iwoyo Joze na Tambu pavakangopedza kuya vakabva
vawoneka vakuenda kwa tete vaTambu kana ku cleaner kwaida kunzi aite haana
kutozo cleaner akati aizouya zuva raitevera. Sezvo Tambu akakura achiziva vana
tete sister ya foster father vake ndokwavakaenda.

Vatete vakakarika vatsikwa zvisina kana notice. Joze aive asisada kutambisa nguva
chaimumisa kunoroora ndiamai vake.

Vakatambirwa zvavo nemufaro vakataura nyaya yavo. Joze aive akuda kuroora
akatosiya apa tete date chachasara ku confimer nana tezvara.

Vana tete nekuda kudya vakatanga kuita sevaifarira Tambu asi ivo vaisava ne basa
naye. Mai Nyevero vacho ndovaive vasina kana basa nazvo zvavo zvekufarirwa
kana kuvengwa vaisazvitsvaka.

Vakazooneka zvavo vakapfura vachionawo vabereki vamai Nyevero. Amai


Nyevero vakamboita mwini mwini na mai vavo ku bedroom kwavo Joze na baba
varipanze zvavo pamumvuri. Amai vamai Nyevero vakafara kuti sahwira wavo
azobvuma at last.

Apa ivo vaive vatogadzirira kuudza mwana wavo reason behind kuramba kwaita
mai va Joze kuti varoorane. Vakabva vatozvikanzura. Joze na mai Nyevero
Vakazooneka voenda kwaive nevava.

Ma foster parents avo akasara akanyemwerera zvavo nerudo rwaive nevaviri ava.
They regret mistreating Tambudzai but dai vasinawo kumubata zvakashata dai
asina kusangana na Joze. Sometimes you have to go through tough time for you to
reach your destiny usatuka mwari ukaona zvinhu zvaita sezvorema asi
murumbidze chete wedenga. God is always on time he will never be late.

Sezvo mai Nyevero vaive vati kuna amwene vavo vanodzoka vo cleaner
mangwana chavaive vakutoita kutorara kumba kwababa vavo vozomuka vono
cleaner kwamwene. It was hard though kurara pamba pababa vavo but she try to
forget the past and move on. Uye havana kumboudza Joze zvakaitika between her
and Bla Lodza zvimwe zvinhu hazvisi zvekuudza murume mangwana anofuma
ukutukira hama dzako nemashoko aunenge wakamuudza plus murume wako
anogona kutozovengana ne hama dzako nekuda kwetunyaya tusina basa.

Vakasvika vana vachifara zvavo na sekuru vavo. Joze haana kunyanyogara sezvo
aida kupa mhuri iyi nguva yekuurukura, akazooneka zvake oenda kumba
kwevabereki vake. Bla Lodza pavakatarisa mwana wavo nezvavaida kumbomuita
shasha misodzi yakatanga kuchururuka yega vakagara pasofa.

Mai Nyevero vakazviona kuti baba vavo pane zvaivanetsa. Amai Nyevero
chavaive voda kukanganwa past yavo and move forward with her life.
Vakaswebera paive na baba vavo ndokuvabata maoko.

"Baba musazvitambudza nezvakapfuura kare, it's time for us to be happy as one


family. I forgive you long back for what you did what i need now is your blessing."
Pakataura amai mashoko aya ndakaona sekuru vakunyevenuka.

Takazobika zvedu tichifara sekuru vaingotaura nyambo tichiseka zvedu.

Pataive takudya ta..........!!

END OF CHAPTER 42

NEXT CHAPTER SOON

HAPPY READING .... LOVE YOU ALL!!

NYEVERO

Chapter 43
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Takazobika zvedu tichifara sekuru vaingotaura nyambo tichiseka zvedu. Pataive


takudya takanzwa zi knock rairatidza kuti mumhu aitonoka aive akadhinhiwa
zvake, sekuru vakaenda ku gate takaona vakuuya vakadungamidzana neumwe
mukadzi airatidza kuva wechikuru neumwe wechidiki nemurume umwechete
takaramba takagara zvedu pamasofa tichiona zvaida kuitika."*

"Wow wow wow! So this it right makugara nevana vemusango nhai? Pamba
yatakavaka tese manje?"
Amai vaya vakagotanga kupopota ndakabva ndatoona kuti ndivo vaive mukadzi
wasekuru.

"Kana mapedza kupopota mozondiudzawo ndokupai introduction." Ndomashoko


ega akakwanisa kutaura sekuru vachibva vagara zvavo musofa. Isu taive
tangoudzvura zvedu maziso kuona firimu remahara irori.

Mukadzi wa Bla Lodza aive akugara kuSouthAfrica nevana vake. Vaive nevana
vairi mukomana nemusikana mukomana aive mukuru kuna mai Nyevero uye aive
atove mumhu ane mhuri. Musikana aive mudiki kuna mai Nyevero uye aive asati
awanikwa aishanda zvake revia kitchen nemu bedroom vese na mai vacho.

Bla Lodza nemukadzi wavo kurambana chaiko vanga vasina, asi vanga vatizwa
nenyaya yavo yekushusha plus chihure. Moziva mukadzi wese akangonzwa kuti x
wako ane umwe mukadzi or something about him anotombodzokera kuda
kunonyatsoona kuti which is which. Ndohunhu hwevakadzi ihwohwo wotoshaya
kuti anenge achida kuzama kudii chaizvo.

Saka team payakanzwawo nevemakuhwa shoko rakasvika zvisizvo kwavari. Shoko


rakasvikoti murume wenyu akugara eumwe nemukadzi nevana nevazukuru
ndovachatopiwa upfumi murume wenyu akafa. Hameno why vanhu vachingofunga
upfumi panofa munhu. Team yakatobva ku SA yakagadzirira kurwisa wanike
wekurwisana naye hapana.

"Makadii zvenyu ama......!"


Amai havana kupedza zvavaida kutaura vagamwa namai vaya.

"Hey ndiani akuudza ndoda kukwaziswa newe?"


Vakadaro amai vaya vakaita kufinyamisa pameso wena ndakati nhasi zvedu
torohwa pano.

Mwana mukomana wa Bla Lodza paakada kuswebera kuna mai Nyevero aida
kuvapa mucheka akazodzosa ruoko ndokukanuka,

"Tambudzai? You what are you doing here? Don't tell me you are my father's
girlfriend?" Ndakashamisika baba vaive nevanhu vaya vachitaura zita raamai.

Amai Nyevero vakanyatsotarisa vakaona zvaaive Tatenda mukomana


wavakambodanana naye kusecondary but because of bad communication
vakasiyana sezvo mukomana aidzidza ku Boarding. Plus Tatenda uyu aive
azomborohwa na Rambwai akabva azongosiyanawo nazvo. Moziva love
yekuchikoro ndezvimwe zviya zviya.

"Tatendaa! Is that you? It's been long hey how are you?"
Amai vakataura vachikwazisa baba vaye. Ndakaona team yakanga yauya nevhavhu
iya yakugara pasi zvino.

"Mukuita semazivana Tambu na Tatenda? Anyway mai Tatenda newe Tatenda


nemi vatete Chipo uyu wamuri kuona akagara apa uyu anonzi Tambudzai mwana
wangu ndakatozoziva kuti mupenyu few months ago, ava vasikana vatatu ava vana
vake then uyu mwana wemurume arikuda kumuroora vanga vatouyawo zvavo to
sleep over just for today. Zvatonaka mabva masangana navo. Tambu nemi
vazukuru ava vagere apo ava ndovaive vadzimai vangu vavainavo ava vana vedu."
Vakadaro sekuru vachitipa ma introduction.

Takazouchirana zvedu amai na sekuru Tatenda vakaratidza kufara kuziva kuti


vaive ma siblings. Asi amainini Chipo na ambuya vaisaratidza kufara.

"Saka zvamauya mauya kuzogara here or mukudzokera zvenyu ndaona hamuna


kana kuuya nema bag?"
Vakadaro sekuru vachibvunza hama dzavo idzi.

Vakazoti vaive vangopfuura vachivaona vachienda kwa mai vavo ku irrigation.


Amai na sekuru Tatenda vakapanana number sekuru vakazobuda nemota
voperekedza hama dzavo.

Thank God Rue haana chaakataura ndaitotya kuti nemanyawi akasvika aine hama
dzasekuru idzi haa Rue aivapedzera.

Takasara tobvunza amai how she knew sekuru Tatenda. Vakatiudza tikavaseka
zvedu kuti makapotsa maroorwa nehadzvadzi. Sekuru vakazodzoka papera one
hour hameno pamwe vaive vakumbogadzwa matare ku irrigation ko.

Rambwai marwadzo akaramba kupera akatotanga kukwatanuka nyama musana


wese uyu. Shasha yakamboramba kuenda kuchipatara asi akazopedzisira abvuma.
Akatoita zvekusungirwa ngoro kwazvo nekuti kufamba kwacho kwaitonetsa
aisambokusvika kwaMurambinda netsoka.

Shasha yakasvika ikaitwa ma tests akasiyana siyana neku dreswa maronda ake aive
kumusana. Vakanzi vamboenda havo panze vachimirira ma results emurwere
wavo.

Rambwai akazodeedzwa kuti apinde mu room ega vamwe amai vake nemukadzi
vakanzi vasare panze.
"Makadii zvenyu baba? Garai henyu pachigaro apo."
Vakadaro nurse vaive mu room muya. Rambwai akagara zvake asi hana yake yaita
semurikumhanyisana madhongi kurova. Kana iye muridzi wayo akatoshaya kuti
why hana yake yaibikana kudaro.

"Baba takuitai ma tests e HIV taona maronda enyu aya hongu makarohwa zvenyu
asi maronda aya akuratidza magara maitorwarawo hen.....!" Nurse uya haana
kupedza zvaida kutaura agamwa na Rambwai.

"Ini kutorwara? Inini chaiye here or mukutaura umwe munhu nhai nurse nekuti ini
handirwari ini."
Rambwai akataura zvake asi mashoko amadzibaba vaya akabva auya mune dzake
pfungwa,
"BABA NDAONA MAFA NECHIRWERE CHESHURA MATONGO".
Akabva atoziva kuti something was wrong mufaro wakabva wasuduruka paari.

Nurse vaya vakatanga vanyatsotsanangurira bhuti Rambwai about living with HIV
kusvika vaona kuti vanenge vakunzwisisa kuti kuva neutachiona hakusiko kuguma
kwenyika you can live a happy life after. Unogona kutorarama makore akawanda
kudarika vasingararami neutachiona.

Rambwai akazotambidzwa ma results ake aiwa bambo vanga vanuna, anga ave
HIV positive, ko aive arumwa hakezve nechekuchera.

"Are you married nhai baba? If yes tinenge tichida muzouyawo navadzimai venyu
kuma tests."
Vakadaro nurse vaya.

"Yeee yes yes, I'm married and I think akandipa chirwere ichi i X wife yangu chete
i will deal with her mirai henyu muone." Akapindura Rambwai achiita kupupa
nehasha. Akazonzi anodeedza madam kuti vaitwewo ma tests.
Mai nemuroora vakatoshaya kuti ko Rambwai aive amedzwa nei mu office mo
maive apinda. Amai vakanga vatoti muroora teera, ndopaakasangana nemurume
akanzi aidiwawo ku office kuya.

Aiwa ngoma yaive imwe atumbwa vanga vavawo nacho amai vakagoumburuka
pasi kunge mimba ichabva. Vakazopiwawo chidzidzo chachaitiswa baba kusvika
vanzwisisawo. Amai va Rambwai pavakazoudzwawo zvaive zvabuda musarudzo
yemwana wavo vakaridza mhere kunge paive pafiwa. Vakagoti kutukirira mai
Nyevero hanzi ndiye akapa mwana wangu chirwere. Wotoshaya kuti mai Nyevero
vanga vapindira papi ivo vakanga vasisasangani na Rambwai for that long.

Asi vanhu vakawanda why is it muchiti ikaita nyaya kana mhosva unotsvaka
wekunenedzera kuti dai pasina nhingi ndiye akati? Aaah hameno gai ndinyarare iyi
yakatangawo naAdam baba vedu vakapomera Eve hanzi mukadzi wamakandipa
ishe.

Rambwai nemukadzi wake vakazopiwa havo saga ravo remapiritsi avo


ndokuudzwa how to take them. Chembere ndoyakarwadziwa zvakanyanya kuti
mwana wavo amurwere.

Vakazokwira zvavo mungoro vodzokera kwavo kumakudo, va Rambwai vangu


kana ne power vaive vasisina.

Chifumi chakateera takamuka tikagadzirira kuenda na mhamha kumba kwana


uncle Joze sezvo sekuru vaida kuenda Harare hameno kwaive nei. Takapiwa ma
$50 tese tiri 4 mama vakapiwa $200 na sekuru vakati tigotenga zvataida. He was
making up sure for the years we spend not knowing him. Sekuru vakatiperekedza
nemota kusvika kudhuze nepamba pana uncle ivo vakati vakumhanya Harare .

"Mhamha honai ngoro yekwambuya iyo mukuita semune munhu akarara mukati
pamwe pane arwara." Ndakataura ndichinongedzera kwaibva nengoro iya. Uku
mbuya ndovaive vakatungamira mombe vaita sevaichema.
Amaiwo nemoyo wavo wetsitsi vakatoti timire isvike tione ndiani aive arwara,
sezvo yaiuya nepataive tasiwa na sekuru.

"Makadiiko amai? Ko ndiani zve arwara wamadai kusungira ngoro?"


Vakadaro amai vachida kukwazisa ambuya. Tsamwa yakarohwa naambuya vakaita
sevachatsemuka muromo nekuridza tsamwa.

Baba pavakaona amai vakagotanga kutukirira amai. Hanzi wakandipa Aids ne


chihure chako chawaita ndiri kubasa. Haaaa vakagovatukirira uku ngoro ichifamba
vakatozonyarara ngoro yava kachinhabwe apa vanhu nekuda zvinhu vanenge
vatozara vakangonzwa panopopota munhu.

Ini ndakatoshaya kuti why baba vaiti amai vavapa chirwere? Kuchikoro
tatakadzidza kuti munhu unoita chirwere kana warara nemumhu ane chirwere.
Saka amai vaive vachiwanepi? Ko kana amai vane chirwere vachatofa votisiya?
Ko ivo baba zvavane chirwere vachatofa? Mibvunzo yakawanda yakauya mune
dzangu pfungwa asi ndakashaya akapindura.

Pandakada kuti ndibvunze amai ndakaona uncle Joze vakamira vakashama


muromo.

Joze akanga anzwawo kupopota kwaiva kwaitwa ndokubuda achida kutoona


ndivanani ndopaakaona nekunzwa mashura aitaurwa na Rambwai. Haana hake
chaakataura asi akabva atovhurikawo pfungwa kuti aizotanga aenda na Tambu ku
new start. Iye nekuputitirwa nerudo akanga asina kumbozvifunga zve new start.

Sure dzimwe nguva kana wapinda murudo unovarairwa unotozoyeuka bako


wanaiwa. Chero ukazowana bako watota hapana zvazvinozobatsira wangu.

Takamhoresa hedu Uncle ndokuenda pamba pavo. Takagashirwa nemufaro


mukuru tikapiwa ma introduction. Amai va uncle vairatidza kuve munhu
akasununguka hake.
Takaswera tichibatsira amai basa ravaiita tikazooneka toenda kumakudo kwedu.
Tino kana kumbochemera kusara naambuya vake ndiye akatotanga kumhanya
kumota.

Takazodzokera ne Benz ya mhamha sezvo yaive yagadzirwa. Uncle havana


kuzotiperekedza vakati vaive vodzokerawo kwavo Harare.

Zvinhu zvakaramba zvichitinakira isu, kuchikoro everything was well babawo


hatina kuzombonzwa nezvavo kana vemadziro komiti vaive vanetawo hameno.

Kumbawo kwasekuru Matsveru amai vakakkwanisa kugadzika baba vavo pasi


nemhuri yavo vakavaudza important of family and being together. Baba va
mhamha vakanzwisisa vakapikira kuzova baba vane hunhu hwachinja uye vakabva
vati mhuri yavo idzoke kuzogara navo. Sekuru Tatenda vakabva vapiwa position
as a manager ku Harare na uncle Joze. Avawo mainini vakanzi vadzokere
kuchikoro na sekuru, takanga takugara takashanyirana nana ambuya na sekuru
kana mainini vaimbouyawo kuma weekends kumba vaiwirirana na amai zvekuti
wega waisekerera ukavaona vari vese.

All i ever wanted mai vangu kuti vafarewo. Uncle Joze vakadana amai kuHarare
I'm we weekend hameno kuti kwaiva neiwo. Isu takasara tiri vaviri naRuu sezvo
taienda kuchikoro. Amai vakaenda naNama naTino.

Mai Nyevero vakarova zvavo Benz yavo vakananga Harare, semunhu akanga
angodeedzwa pasina notice akatombotya kuti kwaitikei vakafamba mushe zvavo
vakasvika Jose aripo zvake pamba. Vakakwazisana vakafarirana zvavo. Mai
Nyevero vaive vave nechidokwa dokwa kuda kuziva kuti vakadanirwei kutaundi
uku.

"Ndakazongoona motumira foni kuti ndisvike kunoka. Kwakakanaka here ndasiya


vana voga? Moziva Rue na Nyevero vanogona kumboita kusikanzwa."
Mai Nyevero avo.
Joze akapindura achiti,
"Kwakanaka shaa. Ndati tironge nyaya dzekubvisa mari kumba kwenyu, uye
unondibatsira kutenga grocery . Good news is date rakaaproviwa."

"Ok, zvaari mashoko akanaka aya. Manga mafunga kuzviita riinhi zve grocery
izvozvo?"

"Any day. Kana mangwana sezvo iwe wati ukutyira vanavasara vega kumba uko,
togona kunotenga zvedu mangwana."
Uncle vakadaro.

"Horaiti inga chachirungu ma list akungotumirwa pa Whatsap chasara kuroora pa


Whatsap,asi ndaidaka titange tambonovhenekwa ropa. Tione kuti rakamira sei
shamwari." Vakadaro mai Nyevero vachiseka zvavo.
Joze wo akatofara kunzwa kudaro. Iye aitoshaya kuti oitanga sei kubva paakanzwa
Rambwai achishauta paya. Iye nekungwara akafungawo kuti pamwe mai Tino
vanogona valamuzorawo akanga atomboenda ega for tests.

Kkkkk zvinonzika kupumha munhu huroyi kumuti hande totestwa. Saka muchifa
ibvai apa Kkkkk. Guyu kutsvukira kunze mukati rakazara masvosve, munoti
vainyepa here vakadaro?

"Yaaaa, point iyoyo shaaa. Rega titoenda izvozvi."


Akadaro Joze achitosumuka zvake.

Vakabuda vose nevana vavo vakapinda mumota vakaenda. Vakatorwa ropa apa
nurse wacho akange ovatyisa akungotaura nezvekuti vaizorarama sei nehutachiona
vakawanikwa vainawo.

Mai Nyevero vaive votya vakuti kuda Rwambai aiva avapa. Asi nguva yacho
ndiyo yaizovapa hope kuti havana chinhu. Asi vaive vambonzwa kuti carrier
anorarama makore hobho chisingaoneki.
Vakazoudzwa maresults avo vose vakafara zvikuru kwazvo. Negative vose.
Vakambundirana vakabva apa vawedzera mufaro. Pakurara vakarara zvavo
semazuva ose mai Nyevero ndovakarara nevana ku main bedroom Joze ku guest
room, vakazomuka vachienda kwaMussa kunotenga grocery riya muma carton
nekuwedzera zvimwe zvaisavapo. Mai Nyevero vakazofumoenda mangwana acho.

Amai vakadzoka vakatiudza zvavaive vadanirwa Harare. One thing I like pana
amai vangu upto now she is open.

Zuva rekuroorwa kwa amai rakasvika isu takaenda takanosara na mainini kumba
kwa sekuru sezvo vana sekuru naambuya vaiendawo.

Joze akauya akauya akachena semukwasha haikona apa nemunyai nevekwake


kuzoroora. Mai Nyevero vairoorerwa kwavakachengetwa asi brother yavo nemhuri
yake vakauyawo nevabereki vavo. Vakazongotorawo kamari kashoma kedrink
zvechirango asi zhinji vakasiiravakachengeta mwana. Amai Nyevero vakabvisirwa
mazimari anotokunda kana mhandara chaidzo. Date remuchato rakakumbirwa
vakapiwa nekuti Joze akati aizotora mukadzi wake nemuchato ko vakanga
vazobvumazve white wedding sisi Tambu all thanks to mai Sharon.

Apa veLondon vaive vazotadza kuuya vakazoti vachauya ka1 kumuchato.

Ndakazonyorawo zvangu zama rangu regrade 7 mune zvakanaka. Ndaive


nechokwadi chekuti ndakapasa zvine mutsindo. Ndaive ndamirira maresults angu
ini Nyevero. Uye Rue paakangopasa sekuru vakabva vaita ma transfers ake
nekutotsvaka nzvimbo yake ye grade 6 pa Chemhanza sisi vaifara haikona
kutamba.

Takanga taita goodbye Gombe, taive takugara zvedu kwa gogo kwakarerwa amai
takamirira muchato waamai waive wanzi musi wa25December uye kumirirawo ma
results. Upenyu hwandaishuvira muupenyu kugara tichifara nguva dzose kunamata
hatina kurega nekuti zvinhu zvanaka taive tatowedzera chikero. Eeh vamwe ka
tokanganwa mwari kana wagarika wongomufunga munhamo nemumatambudziko
chete. Uya akaimba akati kana makomborerwa musakanganwe kutenda mwari
chokwadi vamwe tokanganwa.

END OF CHAPTER 43

NEXT CHAPTER SOON

LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES AND
SHORT STORIES

DON'T MISS ANY CHAPTER AS WE COME TO THE FINAL CHAPTERS OF


OUR BOOK

HAPPY READING ......LOVE YOU ALL!!!

NYEVERO

Chapter 44

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

Vabereki vamai Nyevero vekuvachengeta ava vakazoona zvakakodzera kuti


vapewo amai Nyevero kamwe kamari pane yavaive vasara nayo kuti vashandisewo
zvavaida. Mai Nyevero vanga vamumari chokwadi it was money all over, mudiwa
wavo mari ndoyaaiziva kuvapa manje hameno kuti business ranga risati rakuto
broker here nekubuditsa mari.
Imwe mari yakasara nevaviri ava vakanotenga ziku water dispenser ravo, sofa re
2500$ mu TV sales ne 4plate stove zvekuzopa mwana wavo sechipo pamuchato.
Vakazvisiya havo kuHarare kumba kwehama dzavo sezvo Harare kuriko
kwaizoitirwa muchato.

Amai Nyevero pavakapiwa $1000 nevabereki vavo vakatosungurira vachiti


vozotangawo kuenda kuma lessons kana vakugara nemudiwa wavo, sekuziva
kwenyu mai Nyevero vaive vagumiraka form 2.

Tambu anenge aivewo nemusikanzwa kuchikoro wakazovasvitsa pakuroorwa at


that age. Or kwaive kutiza Nhamo yavaioneswa pamba nema foster avo hameno.

Kugara tichifara was now our portion, asi dzimwe nguva ndichiona vamwe vana
vainana baba namai vavo ndaimbofungawo vangu baba. Chero zvavo vaive
murombo chataingoda rudo rwavo asi vakatadza kutipawo plus handingamboti
vaive murombo, pavaishanda baba vaitambira mari yakatowanda asi musoro nayo
ndopanga pasina.

Momboziva it's not about how much you get as your salary? But kuzova nemusoro
nayo mari yacho, plus munhu usada kurarama zvakapfurikidza mari yaunowana.
Woda gerofurendi rinoda 200$ yekugadzirwa musoro iwe uchitambira 300$. Saka
mhuri yako unozoipeiwo? Ndozvakaita baba izvozvo dai izvozvi tiri pamwe
navowo asi he choose his own path.

"Amai ndandichikumbirawo kumbonoona kuti baba varisei? Uye kuzonoonawo


hedu Sharon."
Ndakadaro ndichikumbira amai nekuti kubva paya baba pavakatuka amai takanga
tisina kuzombovaona zvekare. Pavaitomboita mascandals avo ndopataivawonawo
manje apa tatisisavaona. Ndakashamisika Rue achitotiwo shuwa mhamha toda
kunoona baba.
I wonder why Rue aive akuda kunoona baba nekuti aive akatovavenga ini ndaitove
nani. Pamwe aida kunoita rimwe firimu hameno ko zva Rue zvaiuyaka. Asi
pataigara kwambuya apa akanga achinja maitiro Ruregerero uyu. Ndakazomboseka
zvangu abvunzwa neumwe mukomana ku church kuti unonzi ani? Iye kwakuti,
Ruregerero mbudzi ye government.

"Inga unofunga nhai muzukuru wangu, watofungawo baba vako chokwadi?


Ingoendawo navo mai Nyevero vana vangonoona baba vavo."
Ambuya ndovakabva vapindura amai vasati vapindura.

"Horaiti amai ndoenda navo asi ndichatanga ndataura na mhazi ndinzwe kuti
vanotii." Vakapindura amai vachitosimuka kunofonera uncle Joze.

Amai Nyevero vakaona kuti kuenda nevana hakuna kuipa asi vaifanira kuzivisa her
husband to be uyu, nekuti nehunhu hwakanga hwana Rambwai aigona kunovaita
zvimwe iwe usina kutaura kuti wakuendako.

Joze akaona foni yapinda kubva kumudiwa wake. Joze aida mai Nyevero ne
respect zvese kana achitaura navo aito maker sure kuti asimuka. Mozviitawo here
izvi hama kuti uchitaura pa foni nemudiwa wako unosimuka? Makusekaka hameno
henyu sekai henyu asi ndikutokutipirai it shows some respect so. Kkkkk.

Vairi vakambotanga vataura havo ma lovingtons avo kusvika mai mwana


vazotaura zvavaive vafonera. Joze akamboda kuti ndouya toenda tese asi akaona
zvisingaratidzi unhu plus iye kuona Rambwai aive asisada. Akazobvuma zvake
kuti Tambu aende nevana kunoona baba vavo asi ova carefull.

Amai vakadzoka vakatipa good news dzekuti uncle vaive vabvuma kuti tiende
kunoona baba. Takaronga kuzoenda chifumi chaiteera sezvo apa zuva raive
ratokwira zvaro. Takabva tabuda zvedu na Rue tichienda kumunda kunotsvaka
madomasi ekushandisa.
Amai ne mwana vakasara votandara havo ava vasikana vairi Tino na Nama
vaitamba zvavo panze. Amai Nyevero hameno kuti vakafungawo kubvunza amai
vavo mubvunzo uyu sei.

"Nhai amai, handiti mai vababa Tino ishamwari yenyu? Mungazive here reason
yaiita vandivenge kudaro zvekuita vasade ndiroorwe nemwana wavo?"
Tambu akabvunza nekuti aisanyatso truster mai vemurume wake ivava. Yes vaive
vazobvuma kuti aroorwe but aive ne question mark kuti why so suddenly munhu
aimbombeja.

Mubvunzo uyu wakauya kuna mbuya Nyevero vasina kuugadzirira kana


kuutarisira. Chembere yakambotanga yakosora kosora ikanyatsofunga yakaona
zvakakodzera kusaudza mwana wavo secret yaamwene vake nekuti vaisaziva how
Tambu will react to it.

"Aah kupiko zvasahwira wangu here, aiti ko kana mukazonetsana iwe ne mwana
wavo ushamwari hwedu hunozokanganisika here?"
Vakapindura zvavo amai vaya, uyuwo mwana wavo haana zvaakazombobvunza
vakabva vatochinja havo nyaya.

Vemakuhwa havaregi kufambisa shoko nekuti iwe ukurida here kana hauridi.
Shoko rakazara mabika yese kuti mukadzi waRambwai wekutanga akabisirwa mari
inemumvuri neaimbova boss wa Rambwai. Vamwe ndevaifara vamwe vaitonzwa
godo kuti dai asina kuroora mvana ine vana vanozadza kadoma yose kudaro,
akaroora hake vana vavo. Asika moyo muti unomera paunoda, Joze wake waive
wamera pamvana ipapo ko mvana munhu zve chakanaka ndechekuti Joze aida
Tambu nemoyo wake wese kutodarika madirwe anoita vasikana vamwe
nevakomana vavo.

Shoko rakapindawo munzeve dzana Rambwai na mai vake. Rambwai akaita


seachafa ne stress ne godo zvese. Zvakatombotorana namai vacho Rambwai
achipopotera amai vake kuti honai makandifurira kutiza mhuri yangu
ndichinotsvaka mwana mukomana, now ndakutambura apa kana mwana wacho
handichina.

Moziva hakuna munhu mukuru anonzi afurirwa? Unonzwa vanhu vachiti aah
mukadzi wanhingi uya or mwana wekwa nhingi uya akafurirwa kuita chipfambi na
nhingi, aah imika hakuna zvinhu zvakadaro. Munhu unenge wagara uri pfambi or
mbavha asi uchishaya mukana chete. Munhu une free will to do what you want
unorambaka zvausingadi, dai Rambwai aisada dai akaramba kusiya mhuri yake.

Amai ne mwana vakatozodzimurwa nababa va Rambwai vakasvika vachinetsana


ivo vaibva havo kurwizi kunogeza. Baba va Rambwai basa raive raperawo zvisina
kana tsarukano vakanga vakugarawo paruzevha ipapo. Pakanga papamusha
pemarovha chaipo.

Rambwai aive ambonzi nasahwira wake douya ushandewo kuma olives ku Cape
Town uko asi nenyama dzake dzaive dzongogara dzichidzimba akatya kunoita
kafira mberi mumuti wemuorivisiwo.

Apa shasha yaive yogara pamba pevabereki, musha wake waive watova dongo
sekutamba sekuseka. Regai zvinzi musha mukadzi mai Nyevero vaive mukadzi
chaiye kwete zveuyu anga avapo uyu.

Ukuwo vamwe vana vamai Rambwai vaive vo complainer kuti Rambwai


nemukadzi wake vakupedza chikafu chavanotumira vabereki vavo. Moziva kana
waimbowana usingaonewo vamwe paunozodawo rubatsiro vanhu vanokurasa
mufunge. Munhu dzidza kungopawo kana unazvo Rambwai dai aipawo vamwe
vake maybe vaizomurangarirawo pakutambura apa.

Kupera kwaive kwaita vedu bhudhi Rambwai waiti mabhonzo apfekedzwa hembe,
zvakangooma kuti hofori yerume yozoonekwa yakuita sekamwana ke grade 7 kana
raini rose raive rongotaura kuti baba ava mukati vachiri right right here? Ko
aitadza neiko kuwonda iye aimbopota achirega zvake kumwa ma pills ake.

Bopoto rakazopera zvaro pamusha apa asi amai vaRambwai vakabva vanovata
zuva rakacheka nyika mashoko aive ataurwa newavo mwana aive avabata bata
panyama nhete.

Takati tichangodarika pa fly over yekupinda mu irrigation hameno pane munda


waivepowo. Maive ne nzimbe kwedu kwaive kusina Rue akasiya andibatisa basket
rake ini ndakatofunga aiendawo hake kana kunozvibatsira izvo kupi shasha
nekuchiva nzimbe aive anoba. Ndakazoona sisi vakuuyiwa navo vakabatwa maoko
apa akabata kanzimbe moziva ndakamboda kuseka zvangu Rue will never change.

Ndakanga ndatogadzirira kupomerwa mhosva isiri yangu asi musi uyu


ndaimurambira Rue aive ajaira. Mai vaive vakamubata vaya pavakasvika pandaiva
vakabvunza kuti ndini ndaive naye here ndikabvuma vakati tiende tese kumba
kuvabereki vedu. Ipapo ndopandakaita mudumbu kumba kunonzi taba?
Ndakashaya kuti ndoramba sei kana kumunda hatina kuzomboenda takabva
tadzokera kumba.

Takasvika amai na mbuya vakatogara zvavo. Vakapirwa nyaya yaive yaitika amai
vayawo vakuti vana venyu ndavabata vachiba moziva ndakangovatarisa sezvo
ndaive ndakadzidziswa kusapindura vanhu vakuru vachitaura ndakangonyarara
hangu. Amai vakangotora $2 kwakupa mai yava vakaenda zvavo, isu takasara
tikarohwa mongonzwa imi takatozonunurirwa na sekuru. Ndakatsamwa zvekubva
ndanorara Rue akazama kundiita sorry asi handina kumuregerera musi uyu.

"Rue how come you don't learn from your mistakes? Ukuziva ndiwe wakamboita
tinosakura kwavaMutema waba mango? Uchadzidza rini from your mistakes?
Izvozvi wakuenda ku boarding uchanofa nekurohwa ukaita hako zvisina basa izvi."
Ndakanyatsomuudza ndakatsamwa munhu wepi aisadzidza nhai veduwee.
Ndakaona karereka musoro kakuenda panze handina kumboita hanya nazvo.

Takazorara tagadzirira kumukira hedu kumakudo kunoona baba. Amai vakati


taizoenda netsoka sezvo vaityira kuti baba vangazoita zvavo zviya. Rue akasvotwa
kunzwa zvekuti tichienda netsoka but ndozvaitovapo.

Mai Nyevero munhu aisave ne pride so vakanga vafunga kuenda nevana netsoka
kunoona baba vavo. Ko handiti vaimbopatikida here pavaigara kumakudoko?
Chaizoshamisa chii kupafamba.

Takamukopinda munzira kuenda kwedu kumusha. Tino akasara hake na gogo.


Amai vakatotenga grocery kani hanzi tosirawo ambuya. Ndakavatya amai nemoyo
wavo uyu ini ndirini ndaisambozviita aah.

Ndakashamisika kusvikoona sekuru varipo pamba. Takanga tatova nemakore tisina


kuvaona. Vakafara kutiona takagogadzikwa pamakumbo tichinzi vakadzi vangu
ndakazoseka zvangu Rue ati ini handisi chembere saka handisi mukadzi wenyu
mukadzi wenyu ndimbuya avo. Wotoshaya aive azvifunga sei izvozvo, Nama
ndiye aive akati kwati kwati na baba mwana aida baba zvake iyeye.

Amai havana kugara zvakanyanya vakabva vaoneka voenda kwasahwira wavo mai
Sharon vaive vati vachanoudza Sharon kuti auye kwambuya kutiona ivo vozouya
votitora todzokera hedu.

Takaswera hedu zvakanaka, Sharon akazouyawo aiwa aive mafaro ega ega kuva
neshamwari yangu iyo. Rue ndiye aingoshuta zvake mafirimu ake ndofunga
aitozviitisa. Pane pamwe akakupira gogo mvura yaive yagezwa maoko nevanhu
hanzi sorry ndafunga igwenzi riya raimbova pano. Mbuya vakaita kubitirirwa
nehasha ndofunga vakanga vakungoti ngakuvire zvana izvi zvichiende.
Mukadzi wa baba wesi akanga atonorara anzi mwana musikana ari mudumbu
menyu mugomuti Ndakaitei. Kkkk vakabva vanorara ko handiti vaida
kuwonererwa vachiti mwana mukomana ari mudumbu mangu chino nechino.
Vausamuziva Rue kuti anogona kukupfekedzesa juzi kuchipisa kana usina
kumujaira waiti audzirwa. Aaaah pamwe ndozvaiitawo sazita wake uhmmm kupa
vana mazita ana tete or mbuya kwakaoma zva Rue zvaitoda jesu.
Ndakazomutsunya akuda kuti ko baba mukagoonda kudaro, akanga ambozvitaura
tuchisuka kuti baba vakuita kunge kamutsunyarunya nemhaka yei nhai Nyevero.

"Nyevero na Ruregerero huyai muno dakukupai something vanangu." Vakadaro


baba vachipinda mune imwe room yaigara zvinhu zvemukoma wavo takatoshaya
kuti ko takuda kupiweiko na baba.

Ko taizivei hedu, takati tapinda muya baba vaka..............!!

END OF CHAPTER 44

NEXT CHAPTER SOON

To be added in App grup inbox number above

LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES

HAPPY READING .....LOVE YOU ALL!!!

NYEVERO

Chapter 45
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*"Nyevero na Ruregerero huyai muno dakukupai something vanangu." Vakadaro


baba vachipinda mune imwe room yaigara zvinhu zvemukoma wavo
takatoshakisika kuti ko takuda kupeiwoko na baba. Ko taizivei hedu, takati tapinda
muya baba vakabva vati ndwaaa door kwakutokiya nemukati ndokuisa ma key
muhomwe. Ndakatoshaya kuti chataida kupiwa munhu akakiya door chii chaizvo.*

Rue akatanga zvake kuseka kuti nditi aisekei ndakazvishaya zvaisekesa. Ini ndaive
ndototya kurapiwa na baba nekuti ndaingonzwa vanhu vachiti munhu ane chirwere
akaraper mwana mudiki chopera. Wotoshaya kuti healing yacho inenge yafamba
sei by committing a crime.

"Right musatya zvenyu vanangu, muchiona ndauya nemi muno ndoda


kukukumbirai ruregerero ndisati ndafa." Vakadaro baba vachinogara pa chair yaive
mumba umu.

"Vanangu ini ndakakutadzirai ndakabvuma kufuririka, ndakakusiyai muchiita


semusina baba asi nhasi ndokumbirawo mundiregererewo ndoda kugara nemi
semhuri yangu. Please vanangu I'm still your father ndiregerereiwo and come back
to me amai venyu voenda havo, I promise to be a good father to you." I was
suprised nemashoko ababa aya ekuti mugare neni aaaah yes ndaive ndavaregerera
but kugara navo bodo ndaisada.

Ndisati ndapindura ndakanzwa Rue akuti, "saka kutikiira muno asi ndokuti
forgiveness yacho iuye kani? Kasi......!" Ndakamugama Rue asati aenderera,
ndakanga ndafunga hope dzangu dziya ndikaona kuti we have to play it cool na
baba.
"Iwe Rue kasira kunyarara hautaure na baba uchidaro, he is still our father handiti
kuuya kwataita kuvaona it means we forgive him? Baba musazvinetsa henyu isu
takatokuregererai kare kare what you have to do now is to forgive yourself for the
things you do to us. Uye isu tinokudai tichange tichiuya kuzokuonai nguva ne
nguva." Ndakapindura ndakapa ziso raitaura kuna Rue kuti don't speak. Asi
ndaizvinyepera.

"Iyyy Nyevero usati takakuregererai iwe nani? Ita ndakakuregererai uri vanhu
vanganiko unoti taka?" Akadaro zvake Rue achitosimuka paaive.

"Saka wauya kuzoitei pano nhai Rue kana usati wavaregerera baba?"
Ndakamubvunza ndashatirwa.

"Hehede seka zvako mwana waTambudzai wekumbotambura, kuuya kwandaita


pano hazvirevi ndakavaregereraka. Ko ivo zvavaimbouya kumba paya zvaireva
vakutida here? Please ndivhurireiwo door ndibude mosara moregererana,based for
you X father handiti moda vana vakomana? Yes you are my father by blood but i
will never forgive you never." Akadaro musikana atomira zvake pa door.

Minduro ya Rue yakaita baba vaite hasha, vakasimuka kwakutanga kutenderera


nemba yese. Hameno chibhotoro chavakazvomora kuseri kwemasaga aive mumba
umu.

"Chandandichida kungoregererwa manje maramba i will drink this poison in front


of you and die here." Vakadaro baba vachisimudza chigaba chiya ndakaona Nama
kakangoyeva zvako ini ndakatopererwa zvangu nemashoko, Rue ndiye aisapererwa
manje.

"Wow wow wow moda kufa zvechokwadi here baba? Mukamwa poison munenge
mazviitira big big favour henyu, you will die quick henyu than kufa nenhamo
nemarwadzo kwamuri kuita uku plus munenge matobatsirawo nesu
hatizombouyawo pano. Ko tinenge tichavinga ani? Ndipei ndikuvhurirei poison
yenyu mumwe mushe." Moziva ndakanyatsotarisa mwana wamai vangu uyu
achiita kurutsa zvake mashoko, ndakapererwa kushaya kana chekutaura Rue aitove
nehunhu we mwana mukomana chaihwo.

Rambwai achinzwa aya mashoko akaita ku boila ne hasha. Akarovera kagaba kaya
kwakadaro poison yese ikarasika, agotora paraffin yaive mu 5l mumba mo
ndokutanga kudira dira imba yese aida kutyisidzira team yake iyi uku achipopota.

Pandakaona baba vakudira paraffin mumba vachitaura zvekupisa tofa tese ndakaita
short prayer mumoyo kuti mwari vapindire tisafira mumba umu. Uku Rue kaive ka
busy kuzama kugwejenura door kuti kabude. Ndakamboda kuseka zvangu nhamo
serugare Rue aitotyawo kufa nhai? Ayas rufu rwakaoma sure hapana anoda kufa
chokwadi.

Ndakaona kamunhu kabata musoro zvino hameno kuti kaive kakufungei, pakarepo
Nama akaiti kwetsu mhere kunge munhu arumwa nechirize. Ndakanzwa vana
mbuya vauya pa door vakazama kuti baba vavhure musuo asi hapana akavaterera.
Baba pavakaona Nama akuramba achichema vakatseta chigubhu chiya
kwakumbomusimudza moyo pamwe waive warwadza hameno.

Mai Nyevero na sahwira wayo vakatandara vakagoita makuhwa ese kusvika apera.
Vakazotorana voenda kwa mai Nokutenda chero zvavo vaisava neushamwari navo
vakanga vafunga kunovapawo invatation card rekumuchato wavo. Pavakapfuura
nepadongo pavo amai Nyevero vakamboyeredza misodzi vachiona musha
wavakavaka nemaoko mairi watotsakatika.

"Shamwari upenyu hwakaoma uyu ende hausi kwekudadirana ndiani aimboziva


uchatobvawo pakutambudzwa na Rambwai apa wotogarikawo?" Vakadaro mai
Sharon vachiseka zvavo neumwe wavo. Amai Nyevero vakanonoka kupindura
vakanga vakutoita ka prayer mumoyo kekuti Rambwai apore agodzoka ogara
pamba pake apa nemhuri yake nyowani.
Vairi vaoazonanaidzana kusvika pamba pa mai Noku paya. Sezvineiwo vakawana
vasipo kana wekisiira card vakamushaya. Vaive nerimwe card ravaive vakanyora
inviting Mabika yese vaida kunoripa sabhuku asi moyo wavo wakavarambira
vakabva vasiyana nazvo.

Vakazodzikisira vakananga kumba kwambuya Nyevero. Vachisvika vakagashirwa


nemhere mhere yaiitwa yaibuda mumba. Amai Nyevero vakamhanya vanzwa vana
vavo vachideedzera vakada kuzama kuvhura door wanike harisi kuvhurika uku
vana vaichema kuti takufira muno. Vakazama kuda ku reasoner na Rambwai asi
hapana akavanzwa, Rambwai aive atobatwa ne demon chairo.

Baba pavakanzwa kuti amai vauya vakatoita manyawi vakutaura zvavanoda. Amai
vakambodeedzera kuti vakufonera police vakanzi inosvika tatsakatika muno.
Ndakatoshaya kuti I type ipi ye demon yaive yabata baba.

Pavakanga vabata matches kuti vakmtungidze hameno Rue akahwengezurawo sei


ma keys epa door pavakazoda kumubata aive atokinura door. Takabudamo
tichimhanya haikona.

"Makanyatsokwana here nhai baba Nyevero moda kuuraya vana vakakutadzirai


chii? Mapindwa nemweya hwaiko imi?" Amai vakataura nehasha kuna baba.

"Ndoda vana vangu vasiye pano iwe woenda kunoita chipfambi chako." Ndi baba
avo vakapindura ini ndaisada kuona vanhu vachitukana hangu. Especially my
parents ndainzwa kubatikana zvangu.

"It's okey i will stay here amai modzokera henyu na Rue na Nama." Ndakapindura
ndichisimudza ruoko kuti bopoto ripere pakati pevabereki vangu. Ndakaona mai
vachiratidza kushamisika ne desicion yangu sezvineiwo Rue akabva ati anosara ini
zvangu ndaive ne plan yangu I knew kuti paizopera 3days vanenge vandiperekedza
kuna amai. Saka Rue paakati anosara ndakabva ndatoziva kuti zvangu zvaita ndane
gamba rinozvimiririra.
Semazuva ose amai vaitakura hembe dzekuchinja pese patafamba nekuti vaiti
afamba apota. Amai vakabudisa hembe dzangu na Rue kwa kutitambidza zvedu
ndakanoisa mu room mataida kupisirwa muya. Ndakatarisa zvangu chiso
chemukadzi wababa ndikaona achidinyama haikona kuratidza kusvotwa
nezvaiitika apa nechemumoyo ndakangoti we will meet soon.

Amai vakazooneka vakatakurana na Nama baba vakabva vatoramba kuti


tivaperekedze hanzi hamuzodzoka. Dai vaiziva zvandaiva planira vaiti endai na
mai venyu. Takabhabhaisa zvedu amai vakarova pasi.

Mai Nyevero vakafonera Joze kumuudza zvazvaitika kwavaive vaenda uku.

"Nhai Tambu ko zvawasiya vana ikoko are they safe? Ko baba vavo vakafunga
kuvapisa zvekare?" Ndi Joze aibvunzawo mudiwa wake maererano nenyaya
yevana nekuti vana ivava aivada sevana vake.

"I don't think so dear, handiti vana ndovari kuda here saka haambovapisa this time.
I will keep on praying for them to be protected always." Vakapindura mai Nyevero
vaine chokwadi chekuti vana hapana chavaizoona nekuti mwari wavainamata
vaimuziva. Hameno mozivawo here mwari wsmunonamata kuti anogona kukuitirai
anything? Or you limit God to your size? Zivai mwari wamunonamata hama and
dadai naye.

"Ko muchato zvauriko next weekend nhai Tambu ko vana valarambidzwa kuuya?"
Joze akabvunza ava worried nekuti aidawo kuti vana vaone amai vavo
vakapfekawo gown ravo kwete kungoona vekuma next door neve pa TV.

"Do not worry about anything dear mwari vanogadzirisa zvese izvozvo kuzoona
tosvika ku next week uko." Vakapindura havo mai Nyevero vairi vakazotaura havo
dzimwe nyaya kwakuzoita ma goodbyes avo.
Amai Nyevero vachisvika kumba vasina vana amai vavo vakatomborohwa nehana
kuti ko vana vaendepi. Vakazotsanangurirwa zvaive zvaitika, havana havo
kukwanisa kuita anything sezvo vana vaive vasara kumba kwavo asi pamba
pakabva patoita runyararo vaive vajaira kuita ngano nevazukuru vavo ava.

Takasara tikagoti pweshe kugara zvedu pamumvuri chaipo tichitamba nhodo.

"Nhai Rue ndokumbirawo kusukirwa ma plates amadyira masikati ayo?"


Vakadeedzera mainini hameno ivo vaiitei mumba yekubikira.

"Kana mane mwana anotumika mozotuma ini ndotumwa na amai kana baba
vangu?" Akapindura zvake Rue takagobva taridza chikwee chekusvotesa chiya .
Takaona vobhidhaira vakananga mumba yavo yekurara tikati this is the beginning
muchaudza zvenyu baba kuti vatidzosere kumba kwambuya vedu.

Come manheru vakabika sadza nema vegetables asina mafuta apa amai vaive
vauya ne grocery paine mafuta. Takatarisana na Rue tigoiti kwetsu mhere tichiti
isai mafuta mumuriwo. Hameno ndofunga chemberewo yaive yatoviga mafuta aya
ndakaona vakusumuka kwakuuya nemafuta kwakusvitsa mainini kuti vatiisire
mafuta mumuriwo . Ndakanyatsotarisa face yavo ndikaona haikona vakaita
kufinyama.

Taidya tichirasa rasa masadza nemuriwo pasi zvoita mwana mudiki zviya.
Tichipedza takasimuka kwakugezera maoko mumugomo waive wakazara
wemvura apa kwayaicherwa rwaive rwendo. Takabva taenda kunorara ku bedroom
kwavo ivo vana baba takanowaridza pasi.

"Nyevero shamwari ngatitore metres yavo torara ivo vanorarawo pa base."


Akadaro Rue takatora chimbi chimbi kwakurara zvedu kuita setakotsira. Team
payakazouya takanyepedzera kuridza magwiriri zvedu vanhu vachitukana heee
vana vako havana hunhu havandi respect .
Respect futi, respect inouya kune vanoi deserver. Mwana wandakasiyana naye ne
2years aida ndimuti amai ini nikisi bodo. Vakazongorara pa base po
vachingonetsana.

Kwakunoyedza ndakanzwa Rue ondikwenya kwenya kwakundizevezera kkkk


hayaya ndakanga ndisina kumboifunga plan ya Rue iyi. Vachingobuda panze vairi
ava takamuka tikaitira tsvina zvese pamachira pataive kwakubuda zvedu kunogara
pamushana kana kubisa machira hatina.

Vachipinda mumba takanodira mugomo wese wemvura waive wasara mumba mu


bucket kwakugeza zvedu kumeso.
Takaona shasha ichiuya ichipopota haikona hee muri vana vadiki here
munozviitira mumachira.

"Eh tiri vana vadiki tasiyana nemi makamhanyira dzimba at the age of 15 plus
tatojaira kuitira mumachira amai vedu vanobisa, thank God pano panemi musikana
webasa ambuya havangambozvigona." Ndakapindura zvangu ndakarova ma
serious zvekuti kana Rue ndakaona achishamisika that was my 1st time kutaura
zvakadaro and I was ready to do it kusvika baba vatidzosere kuna amai.

Ndakaona mainini vakubwiza vachienda kunobisa machira edu . Mbuya na sekuru


hameno kwavaive vamukirawo baba hameno kwaive kwaendwawo. Shasha
yakagoituta mvura kuwacha ma blankets edu aya isu takagara zvedu.

Ndakazenge ndovanzwira tsitsi. Asi Rue akati ndokuti vaudze baba tonzi endai
kuna mai venyu. Takaita mazuva mana tichiita hunhu hwedu uhwu dzimwe nguva
tairamba kudya nema vegetables taiti toda nyama huku dzambuya dzakatofa nhatu.
Ko baba vaizamaka kutifadza kuti tisati takuda kudzokera.

"Nyevero tikaita zvekutamba hatidzokere kuna mhamha iwe, hona vanhu ava
havasikutora kana action. Tazama zvese zvaramba todiii manje? Hona muchato
wakitoswebera toita sei kuti tibve pano? Akadaro Rue .
Joze akanga asisina kuhadzikana aive amirira aneta. Semunhu wenyamawo pane
zvimwe zvinotoda nyama yako. Plus aive akutya kuti mai Nyevero vanoterera vana
vavo zvakanyanya zvino vana zvavanga vakugara na baba vavo vaigona
kuzongonzi amai takuda mugare na baba. Aita seachamhanyisa calender kuti 8
days dzaive dzasara dzipere.

Amai Nyevero nekufungawo vana vavo semunhu aive asina kujaira kusiyana
nevana vake. Vakanokumbira baba vavo Prado yavo vaisada kuenda ne benz yavo
nekuti vanga vasina kuudza Joze kuti vakunoona vana. Baba vavo vakatomboda
kuvaperekedza vaida kunoona ainzi Rambwai wacho asi amai Nyevero
vakavarambira kana Nama vakamusiya na Tino kwa gogo vavo.

Vakarova mota vakananga pamakudo zvavo. Havana kuziva kuti vana vavo vaida
kushuta mafirimu pamba pambuya vavo.

Na Rue takanyatso..............!!!

END OF CHAPTER 45

NEXT CHAPTER SOON

TO BE ADDED IN APP GRUP INBOX NUMBER ABOVE

LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES


....DON'T MISS AN CHAPTER AS WE COME TO THE CONCLUSION OF
OUR BOOK NYEVERO.

HAPPY READING .....LOVE YOU ALL!!!

NYEVERO

Chapter 46
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Na Rue takanyatsomuka hedu kwakunogara pamushana tichimirira team kuti


ibude pasare mainini kuti tiwane kuita plan yedu.*

Vanhu vakazobva pamba zvavo tikati henarwo.Shasha yakati yapedza ku cleaner


mudzimba kwakutanga kusuka ma plates naRue takanyatsonyahwaira kwakupinda
ku kitchen ndokutora upfu kwakuhumwaya imba yese kwakuita tsvina pamusoro.
Chataingoda kuti mainini vapopote or kutirova tobva tatiza.

Tichipedza takagara zvedu pamusiwo, sezvineiwo pakabva pasvika ticha wangu


we grade 7 aitoendawo zvake kwaMurambinda Rue akangosimuka kwakuvhara
door repa kitchen .

"Makadiiko madam?" Ndakataura hana ichirova kuti madam vanga vachaona


uchapa hwedu.

"Ndiripo hangu Nyevero ndatoti ndidarike nepano ndanzwa uripo ko kurega kuuya
kutora ma results ako kwakanaka here?" Vakadaro madam vaya vachitofamba
kuenda havo. Ko ini ndaive ndatovarairwa kuti ma results achada kutorwa uncle
vaive vati vaizonditsvakira nzvimbo January sezvo vaive ne connection.

Takasara tikagara zvekare pamusiwo paya. Shasha payakazouya ku kitchen ikaona


mashura ataive taita yakachinja face wena, isu hatina kana kutsudunuka zvedu.
Mainini vakangonotora chitirobho uku vachipopota haikona. Takangosimuka
pataive ukuwo baba vakabva vasvika hatina kuzombomirira kuti vapirwe nyaya.
Takatopinda munzira kwakumhanya takananga direction yekwaMurambinda.
Tainyatsiziva baba havaimbomhanya vakatibata mainini wesi ne 2in1 yavo hapana
kwavaisvika. Mukumhanya umu hatina kuziva kuti kumberi kwaibva mota
ndakazopepuka ndamuchipatara.

Pandakasvinura ndakaona amai vangu misodzi iri mokoto mokoto. Vana ambuya
vaive vakamirawo vachiratidza kusuruwara. Ndakazama kusimudza musoro
zvakaramba.
"Mhamha mukuchemei? Ko Rue aripi? Ko ini ndikuitei muno?" Ndakabvunza
nezwi raive pasi pasi nekuti kutaura kwaitondidzimba.

Ndakanzwa amai vakudeedza doctor vachiti she is awake. Aah ndakambozama


kuda kutaura asi ndakakoniwa, doctor vakauya chimbi chimbi vakanditarisa
ndakanzwa vakudeedza amai kuti vavaone ku office kwavo.

Moziva ukaona une murwere wodeedzwa ku office kwachiremba wotoziva


something is wrong nemurwere wako. Amai Nyevero vakaenda uku hana ichibika
manhanga vaitya kuti ko mwana wavo akanzi ane chakanganisika paari? Uku
vaitya kuti Joze achatiii nekuti vaive vangomufonera kuti auye kwaMurambinda
emergency.

Rambwai aive akato relaxer zvake, pakatsika mai Nyevero mwana


akatovapopotera achiti makatengaka ma licence iyezvino makuuraya vana. Kana
kuchiendawo kuchipatara nemwana kuti anoona kuti arisei haana. Asi ozoti ndoda
vana vangu. Ku hospital baba vamai Nyevero vaizikanwapo vakatobhadhara kuti
mwana arapwe pasina police report.

"Garai zvenyu pa chair apo amai." Vakadaro doctor vaya amai Nyevero vakagara
pasi hana iri mumaoko chaimo.

"Amai ndatindikudedzei muno ndikuudzei zvandaona pamwana. Mwana might not


walk again a.....!" Doctor havana kupedza kutaura mai Nyevero vakasimuka
vachiibongomora mhere zvekuti vanhu vese vakashaya kuti ko chii chakuitika.
Joze akabva asvikawo pakarepo.

Ndakazama kuda kufambisa makumbo angu asi aive weak. Ndakazongosiyanawo


nazvo. Vanhu vakazoenda zvavo ndikasara ndiri ndega muchi room so apa kutya
kwandaita chipatara ndakaita sendichamuka ndikatiza. Amai vaive vati vachadzoka
havo kurara neni asi ndaitya.

"Nhai Tambu mwana akaita sei? Don't tell me arohwa kwavanga vari uko."
Akabvunza Joze vavaviri uku aita kudedera nehasha.

Mai Nyevero vakashaya kuti votanga sei. Vakazotorangarira kuti vanga vasina
kuudza Joze about the journey.
"Nda-nda-ndaaa- ndandanoona vana pandati ndikone pane imwe curve so vana
vabuda vachimhanya ndopandaduma mwana. Apa anzi she might not walk again
ndaremadza mwana wangu ndega." Vakadaro mai Nyevero nekutanga kupfikura
kuchema.

Joze aive nezvakawanda zvaida kubvunza umwe wake uyu asi ne situation yavaive
nayo akati aizobvunza zvinhu zva normal. Vakaperekedzana kumba kwana mai
Nyevero vakatora zvavaida ndokunosiwa kuchipatara.

Vakawana mwana wavo akarara ndokutanga kunamata. "Mwari baba


varikumusoro kudenga ndinouya pamberi pechigaro penyu madekwana ano.
Ndinoisa mwana wangu mumaoko enyu Lord I pray for total healing upon her
mortal body, healing comes from you God do a miracle God I want my daughter to
walk again. Mwari I will never forgive myself mwana wangu akasafamba zvekare.
I pray all this in the might name of jesus. Amen."

"Amen." Ndakadarowo ndainzwa zvangu zvese zvainamatwa na amai and I just


whisper a prayer in my heart to God that I want to walk again. Mupfungwa dzangu
ndakabva ndatoziva kuti no more kuenda ku boarding, ndiani aizoda kupusha
munhu pa wheelchair? Ko ivo amai vaizokwanisa kuchata here ndiri kuchipatara
kudai? I blame myself nekumhanya kwatakaita nepakati pe road tisina kutarisa kuti
kwataienda kukubvei.

"Mhamha ko Rue arikupi haana kukuvara here?" Ndakabvunza amai mwana


wamai vangu uyu aive nekusikanzwa zvake asi ndaimuda zvimwe ndezvimwe.

"Rue arikumba my angel haana kukuvara. You will be fine soon our God is good
God he will never put us to shame handitika? Don't worry angel you will walk
again and you will go to boarding school." Vakapindura amai vakabva vaita
sevaona zvandaifunga mumoyo mangu.

Mom feed me zvavanga vauya nazvo thank God ma doctors they allow her to stay
with me maybe vakatopiwawo chioko muhomwe hameno.

"Mhamha ndaona madam vangu vati ndiuye kuzotora ma results, can you please go
and collect for me tomorrow dakuziva ndakapasa here. Ndoenda hangu pa local
school mhamha kana ndatadza kufamba kwamunondiendesa nemota nekuuya
muchinditora." Ndakapindura nekusafamba kwaita makumbo angu i knew i will
not walk again so easily.

Pandakapedza kutaura ndakaona amai vakuburitsa misodzi asi vaizvivanza


ndofunga vaida ndisaona.

Takazorara zvedu asi ndainzwa pain makumbo aya aita seakudambuka. Chifumi
amai vakazoenda kumba vana gogo nana mainini vauyawo. Ndakafara kuona
mwana wamai vangu ari right, apa ndaibvunzwa mibvunzo yakawanda wanda
vanhu vakazodzokera ndikasara zvangu ndega. Chandaingoita kunamata kuti
ndifambe zvekare.
Amai Nyevero vakakumbira Joze kuti avaperekedze kuchikoro kwana Nyevero
kunotora ma results emwana wavo . Ivo vakanga votya ku driver nezvaive zvaitika
izvi. Munzira hapana aitaura neumwe hameno umwe neumwe aifunga zvake.

Vakasvika ndokunanga havo ku office kwa headmaster vakadungamidzana.


Vakawana akuda kutokiya musuwo wake kuti abude.

"Mai Mabika makadii zvenyu masvika ndakutobuda garai zvenyu neapa."


Vakadaro mukuru wechikoro uyu achitovhura imwe envelope kuti atore ma result
a Nyevero.

Joze akabatikana kunzwa Tambu achideedzwa nezita rekwaive akambororwa


asiwo yaisava mhosva ya headmaster vaizivavawo mai Nyevero vari
vekwaMabika. Joze akabva audza mudiwa wake kuti vakunomira kumota.

"Mai Mabika mwana i think motombomudzosera ku grade 7 again akabuda ne 34


units ma results ake ndiwawa." Vakadaro headmaster vachitambidza havo mai
Nyevero ma results a sisi. Pavakatarisa kudai kuona Maths 9 , English 9 , Shona 8
ne 8 Content amai vakarwadziwa nema results emwana wavo aya wesi ne situation
yaive nemwana wavo vakashaya kuti vonomuudza sei.

Amai Nyevero vakasvika vachichema pamota paive na Joze shasha nekutsamwa


kwayanga yaita yakamboda ku ignore asi moyo werudo wakarwadza.

"Chii chaiita mucheme nhai mai Matsvai?" Shasha yakabvunza ichipukuta mudiwa
wayo misodzi pamatama.

Mai Nyevero vakangotambidza Joze ma results emwana. Paakamaona akapera


power .
"Saka todii nhai mai mwana can we tell her today or tombomira?" Akabvunza Joze
akabata Tambu mapendekete.
"Uhmmm I think tombomira tozomupa after abuda muchipatara." Vakapindura mai
Nyevero, vairi vakarova mota vodzokera zvavo kwaMurambinda.

Vakatanga vaenda kumba sezvo visiting ya1 yanga isati yakwana. Vaida kunotora
vamwe kuti vaenda ka1.

Rue pakakaona amai vake vauya kakamhanya kunotora ma results a Nyevero


kwakuisa muhomwe kaida kunoverengera ku toilet . Kakabva kadeedzwa na mai
vacho kasati kaverenga vachiti handei kunoona Nyevero. Kuti achidzosera ma
results aya akatya kubatwa kakangoatakura.

Ndainzwa kufara kuti ndaizoonawo zvandaive ndakohwa kubva grade 1 kusvika 7.


Ndakafara pandakaona amai na uncle na Rue vachipinda chandakatanga kubvunza
ma results angu.

"Aaah sorry angel ndakangamwa ma results ako mu handbag yandaenda nayo


kuchikoro, but wakapasa daughter." Vakapindura amai asi ndakaona face yavo and
something tells me kuti vainyepa.

"Ndakapasa? Only that? Mom please tell me ndakabuda nemangani?"


Ndakabvunza ndaida kunyatsoziva.

"Wakabuda ne.....!" Amai havana kupedzisa Rue akabva aburitsa kapepa.

"Ma results ako aya Nyevero ndaziva mhamha vachaakanganwa saka ndaatora,
vhura tione wakabuda nemangani?" Akadaro Rue achinditambidza ma results
angu.

Pandaka. ...........!!

END OF CHAPTER 46

NEXT CHAPTER SOON

TO BE ADDED IN APP GRUP INBOX NUMBER ABOVE


LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES AND
SHORT STORIES

HAPPY READING ..... I LOVE YOU ALL MY FANS

NYEVERO

Chapter 47

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Pandakatambira ma results angu ziso rangu rakananga pa total ndakangoona zi34


ndisati ndanyatsotarisa Rue akabva abvuta kabepa kaya.*

"Ndipe ndionewo Nyevero une manganiko?"


Akadaro Rue bepa ratova mumaoko ake.

Ini misodzi yanga yava muchiuno zvekuti dai ndaigona kufamba dai ndakamhanya
ndakazvirovera zvangu pasi. How come kubuda ne 34? Nemagonero andaiita?
Amai vakauya pandaive vakundinyaradza.

"Nyevero Mabinga 34 units. Ko mhamha why mauya nema results asiri a sisi
Nyevero? Aah mungauye nema results emusikana uya wekwaMabinga uya aitove
mu grade 7D neudofo uya?"
Akadaro Rue ndakambomira kuchema kwakuti Rue andidzorere ma results aya.

For sure ndakanga ndisina kuzotarisa zita pandakangoona 34units. I was hurt
veduwe kuti chero dai ndakafoira? Zvekusvika mukuvhara kudaro aiwa ndakanga
ndarwadziwa.
Pandakapiwa ma results zvekare naRue ndakaona sure aive a Nyevero asiri ini
aitovewo zvake mugrade 7D mema dofo aitopinda mu top 10 mu class mavo
nehudofo ihwohwo.

"Mhamha, ko why mapiwa ma results asiri angu? Or you want to tease me?"
Ndakabvunza amai ndane kakunyevenuka pamoyo.

Amai Nyevero vakaona kuti chokwadi vanga vaita chidofo kana kumbotarisa zita
vanga vasina zvavo. Kana iye Joze akanga angoshama muromo kuti ko why vasina
kufungawo pfungwa yekuita cross
Check pazita apa.

"I'm so sorry my angel handina kumbotarisa zvese izvozvo, ndaive ndatove


worried about you kuti ndokuudza sei? I'm so sorry my child. Head pavakandipa
handina kumbofunga kuti vangaita mistake." Vakapindura amai vakandibata
mapendekete.

"Dai wanga une 34 waitonodzidza kwa bushu iwe Nyevero, aah ende ndaikuseka
maiwe tenda mwari kuti haasi ako ma results aya."
Akadaro zvake mafirakureva Rue. Takaseka zvedu tese vakazondisiya havo ndega
vodzokera kumba.

Sezvo yaive yaweekend ma results vaitozonodzosera Monday. Atleast was at peace


asi kahana kaimborova kuti ko kana ndakafoirawo.

Amai vakazodzoka havo manheru nechikafu changu.


"Mhamha imbofonerai mai Sharon dakutaura na Sharon ndinzwe kuti ane
mangani." Ndakadaro ndichida kunzwa kuti asahwira vangu vanga vabudawo
nepakadii.

"Huya utange wadya Nyevero wozotaura naSharon mwanangu." Ndakaita


zvaitaurwa na mhamha kwakuzofonera sahwira wangu ndapedza.
Ndakafonera Sharon akati aive aita 11units ndakafara kunzwa kuti aive apa uye
aive atowana nzvimbo pa Nyashanu mission. Takazotaura hedu zvekupasa
kwakwakaita vanhu Sharon akati pachikoro pedu paiinzi vanhu vakapasa nema
4units vaive 5 chete vamwe aive ma 8 and above.

Apa ndopakachizonyatsorova hana yangu. Nemagonero aita vana vepaMakumbe


primary veduweeka. Takazoita our goodbyes ndokukata hangu foni.

"Ko zvaunenge wachinja face zve nhai mhandara yangu hanziiko na sisi Sharon?"
Vakabvunza amai vaona ndane sad face.

"Mhamha ko kana ndakafoira? Hanzi pachikoro pedu pakapasa vanhu 5 nema


4units ah zvitsva mhamha paMakumbe panosiita vana kuma 15 vanenge vaive ma
4units. Sharon nemagonero ake aya akabuda ne 11." Ndakapindura ndisina kana
mufaro ndaingoti dai Monday yachisvika hayo ma results angu anotorwa ndizive
zvangu.

Amai vakandipa mashoko ekundisimbisa kusvika ndabatwa nehope ndokurara


zvangu. Kwakayedza ma doctors akaitazve ma tests avo vakati hapana chaichinja
pandiri chandaive ndongoda i miracle chete kubva kuna mwari. Zvekuenda
kumuchato ndaive ndakutoziva kuti handichaenda ndaisada kupa amai stress kuti
vandione ndiri pa wheelchair on her wedding day, no no no. Apa ndaive one
wevaperekedzi kuvana panzvimbo pangu paive pakutoiswa Rue.

"Mhamha ini ndosara zvangu mu hospital munomu pamunoenda kumuchato."


Ndakataura hangu asi misodzi yangu yakanga yakutoda kubuda chandaida
kuonawo amai vangu vachichata veduwe, vakapfekawo gown taisingozvionera pa
TV kwa uncle Joze.

"No my angel you will go kumuchato woda ndichate usipo here nhai dangwe
rangu?" Amai vakazama kundinyengerera asi ndakaramba. Vakazoti
vaizonditsvakira munhu wekusara hangu naye.
Weekend yakare yakare ndoyakasvikawo brother vauncle ne sister yavo.
Vakatouya kundiona kuchipatara vakanga vaudzwawo about my situation
vakandigira wheelchair ndakabva ndatobuda hangu muchipatara ndoenda kumba.

It was hard kuve pa wheelchair veduwe. Takatanga taenda kumba kwana uncle
kwaive neve London uko. Iyyy iyy veduwe vanhu vaisadada zvavo ivavo, kwete
zvevamwe vanhu vatoona vanobva kana paJoni apa anoita seauya ari pasi pemvura
pasingauyi nevamwe. Vana vavo vaisambodada vakaswera vachindipusha zvavo
tichitamba zvekuti kana ini ndakatombomirawo kufunga zvakawanda wanda.
Amaiwo vaingove na maiguru vavo mukadzi wemukoma wauncle hameno
dzavaitaurawo.

Takuda kuenda ndakapiwa bag rehembe dze UK dzangu nevanin'ina vangu amai
vakapiwawo ravo. Takazoperekedzwa zvedu na uncle zuvarodoka kwakunosiiwa
kumba. Ambuya pavakandiona ndiri mu wheelchair vakachema vakati vaizosara
zvavo neni vamwe vachienda zvavo kumuchato.

Ndakambozama kuvati vaende asi vakati havaizondisiya neumwe munhu ivo


mbuya vangu varipo. I wonder mbuya vekwaMabika vaizvibvuma here dai vaive
ivo gogo Mapako. Apa hapana akanga ambouya kundionawo kubva kumusha kwa
baba vangu. Kana ivo sekuru na ambuya dai vakangouyawo kuzoona kuti ndiri sei.
Ko ivo baba saka kutida kwacho kwaive papi? Zvavaiti i will be a good father from
now onwards ndakatozvishaya ini. This time I promise myself that I won't forgive
him for this.

Ndichiri kufunga kudaro ndakanzi na Rue,


"Nyevero hona baba vako avo." Pandakatarisa ku gate ndakaona baba
vachikanyaira wena kana kunyara.

Vakasvika pasina kana anovachingura. Munhu wese akaramba akagara paive amai
ndovakasimuka vachitopinda zvavo mumba.
Vakasvikomhoresa vanhu vese isu takangotiwo makadiii baba zvezita.

"Wakunzwa sei nhai mwanangu?" Vakabvunza baba . Ndakatarisa zvangu Rue


ndichimupa ziso rekuti pindura.

"Asi.......!"
Hakana kupedza kutaura Rue ambuya vakabva vabvunzawo baba mubvunzo.

"Nhai baba Nyevero asi pakukwira bus kani paMabika kuuya kuno? Kwekuti moti
maive musina mari ye bus? Kubva mashaya hanya nemwana wenyu kudaro?"
Baba vakangobwaira bwaira maziso. Rue haana kuzombomirira mhinduro ya baba
akabva auya kundipusha tikapinda mumba maive na mhamha.

Takazoonawo baba vakubuda gate vakanga vasiwa vakagara vega pa veranda po


nambuya. Sekuru vaive vasati vasvika kubva kumunda kwavo.

Weekend yakapera Monday iya ikasvika, ndakanzi handei kuchikoro asi


ndakaramba ndaisada kuseveswa zvangu sadza ne vanhu vekuchikoro ndigonzi
Nyevero achirema, aiwa ndakaramba kuenda zvangu.

Amai na uncle vakadzokera zvekare kuchikoro na Rue akachemera kuendawo


vakatozongovatakura vese na Nama na Tino. Ini ndakasara zvangu nambuya.

"Mai Mabika garai neapo, ko madzoka zvekare asi makuda kutotsvaka nzvimbo ya
Nyevero yekudzokorora kani? Haaa nekuti mafoiriro ake haaite mhani, this time
totomubisa mu A ombopinda mu C chaimo."
Vakadaro zvavo mukuru wechikoro uya ko vaitofaraka kuti akafoira sisi
vemusikana wekumbomutuka. Isu toziva ma headmaster will be proud ne vana
vanenge vachigona pachikoro than kuita jelousy rakadaro. Thank God Joze aive
asara kumota nhaka aitazve BP mai Nyevero vanzi mai Mabika.

"Aiwa sandizvo zvandavinga sir, ndatodzoka nema results amakandipa aya haasi
emwana wangu aka....!"
"What do you mean kana muchiti haasi emwana wenyu? Saka mukuti ndiani
akamunyorera? Akafoira akafoira please if you can excuse me dakuita basa rangu
muno." Vakagama mai Nyevero Head vaya vasati vambonzwa zvaida kutaura mai
Nyevero.

"Asi hamuchaona kani nhai head? Inga hamupfeke ma glass wani. Moziva here
zvamakaita zvosungisa? Ko dai Nyevero akaita heart attack paakaona ma results
iwaya? Maresults akanzi Nyevero Mabinga aya Mabika na Mabinga
zvakazofanana riini zviya?"
Kakataura Rue amai Nyevero havana kuona kuti Rue aive avateera kaive panze
zvako kachinzwa nyobvo yaitaurwa na headmaster iyi. Hakana kuda
kumbotenderera kakabva kananga papoint. That's was Rue for you ainanga pa
point not kutenderera munhu.

Head vachinzwa izvi vakaita sevachamhanya kutoilet. Ko iko kunyara rough


yavaive vabva kuita, chokwadi zvaisungisa zvavaive vaita izvi. Headmaster hwai
aitadza kutarisa ma surname evana? Inyaya yeruvengo rwaive narwo nanaNyevero.
Kuzoti dai ariye akanomaka ma paper, aitomuitisa 36units.

"Whaaaat? Tionei maresults acho I'm so sorry mai Mabika handina


kumbozvicherechedza mufunge."
Vakanga vakuda kuita munhu kwaye zvino.

Vakatambidzwa ma results aya for sure aive asiri a Nyevero Mabika. Vakazama
kutsvaka a Nyevero chaiwo vakaona pasina kwakutarisa panosainiwa nevatora
vakaona Nyevero Mabinga aive akatotora ake. Which means anga akatoenda nema
results aNyevero. Head vakadikitira vapererwa zvino.

"Mai Mabika ma results emwana wenyu anenge akatotorwa neumwe Nyevero


wacho, apa nekwanogara handikuzivi." Vakapindura head uku vakutya kusungiswa
ne basa raibva rapera nekuda kwekusaregerera. Handiti dai vakangoregerera Rue
pasina zvese izvi kusaregerera kwakaipa kunokuvadza iwe kwete akutadzira. Learn
to forgive hapana chaunobva by letting go of the person akutadzira you will help
yourself by doing that.

"Ndokuziva handei ndokuratidzai." Kakapindura Rue kakutobuda muoffice muya.

"Please forgive me mai Mabika that was a big mistake I'm so sorry sure mweya
weruvengo ndowakanga watondipinda murume mukuru."
Vakademba demba head vaya.

"Zvowanikwa sir it's okey handei hedu toona kwakenda ma results acho nguva
ichipo." Vakadungamidzana vakananga kumota Joze akasvikopirwa nyaya vaka
driver kunosvika kuya. Kwaive kumaraini avakanga vakugara ekuGombe ndosaka
Rue akakuziva.

Uyu wekutora ma results ane surname isiri yake kana kumbozviona chero
nevabereki vacho kunenge kwaive nehudofo hwedzinza rese kumba ikoko aah.
Variko asi vabereki vasina hanya ne work yevana pamwe akangoti ndapasa vakati
ehoi vasina kana kutarisawo. Tarisai work yevana veduwe handiti kubhadhara mari
moda vadzidze? Saka onai zvavanenge vadzidze zvachoka nhai.

Akanga atoenda Harare kunotsvaka basa musikana. Vachisvika vakaudzwa kuti


musikana haapo akatonotsvaka basa remumba Harare uye aive atakura ma results
ake. Vakakumbira number yepamba paaigara Harare kwacho vakati havazive asi
number dzemunhu wekwaaive.

Sezvineiwo vakuda kutooneka vakati regai tichitanga tafonera timunzwe thank


God ma results aive amakanganwa mu bag raive munhanga make. Vakapiwa havo
ma results a sisiNyevero avo vaive one of the 5 vakanga vaine ma 4units
ndokusiyawo aya e34 pamba paya. Vakavatenda vakaenda zvavo munhu
akanyanyotenda ndi headmaster nekuti vanga vatarisana nejeri chairo vakatotenda
na Rue nekuti ndiye aive atovayamura.

Vakafara kuona ma results a Nyevero asi changa chodiwa kuti mwana afambe
agokwanisa kuenda ku boarding zvakanaka.

Vana amai vakanonoka kudzoka ndakatanga kunzwa mudumbu kuti pamwe


vawanazve ndakafoira vakutya kuuya kundiudza. Vakabva vazosvika Rue ndiye
akamhanya kwandiri akabata kabepa.

"Nyevero guess une mangani guess guess guess !"


Akadaro Rue ini hana yanga yongorova ndakapotsa ndati 3 aah.

"Rue kani I'm not good at guessing ingondiudza, ok ndine 8."


Ndakangotaurawo painzi ndopane vamwe vaiteera vakapasa. Ndakaona amai na
uncle vachiuyawo vachisekerera aah kamoyo kakatombonyevenuka.

"Look for yourself madam Mabika."" Akadaro Rue achitaridza bepa riya kwandiri.

Pandakatarisa kudai ndakaita kurohwa nehana yemufaro. At the same time


ndakarwadziwa thinking that I won't go kuboarding asi my faith tells me
something else kuti kuboarding uchaenda.

Ndakabva ndato planirwa ka party kekupasa kakaitwa team following day kumba
kwa gogo Matsveru. Pakafariwa veduwe Sharon na mhamha vake vaivepowo but
ndakaona kuti shamwari yangu yakabatikana kundiona ne situation yandaive
akakumbira kusara akabvumidzwa zvake uye kumuchato akabva atiwo haachaendi.
Ndakafara veduwe atleast ndaizowana wekutamba naye.

Mazuva akafamba hawo chandaingonamatira kuti muchato wamhamha uendeke


uye ndaiti mwari dakufamba pa wedding day ramai vangu that's was a gift yandaiti
mwari dakupa amai.
Thursday manheru amai vakaenda ku Harare kumba kwevamwe tete vavo mainini
nevaperekedzi vavo kunorukwa nekuitwa zvimwewo. Ndakabudisa musodzi
ndichiona amai vachienda.

Masikati eChishanu vanhu vese vakanga vaungana veukama vese. Vekwa sekuru
Matsveru nevekwaMapako pane imba yasekuru Matsveru yaive ku Warrenpark 1
ndokwaienda hama dzekwaMatsvai nedzekwaMapako kunomirira zuva guru
raiteera. Ambuya vakazoti tiendewo ku Harare kumba kwa tete kwaive na amai
kuti tigoona hedu vachipfekedzwa gown ravo. I agree for th sake ya gogo
otherwise ini ndaisada kunoshungurudza amai.

Takazoendawo nevamwe veruzvinji vakapinda mu coaster yakauya isu nana Rue


takatakurwa na uncle Joze. Takasvika ku Harare zuva rovira.

Ndakanga ndatoshaya amai ko vanga vava ngirozi zve imi yuwi ndaimboziva
munhu anogadzirwa kudaro kana akuda kuchata? Iyyy iyy asi dai vanhu
vachizogara vakanaka kudaro kani zvino after wedding haaa unozombomuda here
munhu wamuona asina make up imi ka imi. Ko iyo make up yacho ukaiona yoitwa
nevamwe hauzomboida kana pamuchato pako.

Hapana kurarwa musi uyu vanhu vachiimba nekutamba. Dai ndaigonawo kufamba
aah hameno nhaka.

Joze haana kurara achifunga zuva guru raizoteeta iri raakanga amirira kwenguva
refu. Vashoma varume vanozvigona. Umwe akangobisa ka $ kake kumba kwenyu
akutokuudza kuti saka chekumirira 9 hapachina. Vakomana wee some things are
worth waiting for. Mai Nyevero ndovaingovawo ne stress yekuti handichazvara
ndichadii. Asi mwari ndovega vanenge vachiziva some of things hatifaniri
kuzvinetsa nekuti we don't have control over it.
Rambwai akazama kutsvaka mari yekuenda Harare aida kunoporonga iwo muchato
waive anzwa kuti ukuitirwa ku Glenloern. Asi mari yakaramba kubatika
zvekumhanya zvekuti dai paisvikika netsoka dai akaenda.

Kwakayedza vanhu vakachena chena zvavo sezvo muchato waitanga na8. Sisi Rue
kuzofitwa mwana wamai vangu. Vanhu vakapedza mota yemuchati ikauya amai
vakaenda na Rue sezvo ariye aiperekedza. Nama na Tino vakazoteera nedzimwe
mota, ini Sharon na gogo takasara zvedu nekuchenawo kwedu chandaiita kunamata
chete.

Rambwai manheru eFriday akapinda mumba mamai vake ndokuba $10 yaivemo.
Shasha yakamukobata jongwe muromo yakananga kuma comb kwaMarenga.
Haana kunonoka kuiwana transport shasha yai planner kwete kutamba.

Kuma 9 ndakanzwa..........!

END OF PART 47

NEXT CHAPTER SOON

TO BE ADDED IN APP GRUP INBOX NUMBER ABOVE

LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES

LOVE YOU ALL MY FANS.....HAPPY READING

NYEVERO

Chapter 48

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
*Kuma 9 kuseni ndakanzwa kuvaviwa muviri wose nekuita kakupera simba, uku
ndaingonamata hangu mumoyo mangu ndichiti mwari ratidzai ukuru hwenyu.
Ndakatanga kukwenya zvine simba kuita semunhu ane gwembe imi,
ndakatombofunga kuti asindaisirwa hurukuru thank God Rue aive asipo chokwadi
dai aivepo ndakatofunga kuti ndiye. Ndichiri mukugwabvura kudaro ndakatanga
kubvunda, kugwagwadza muviri wose. Makumbo akatanga kuita ku shaker aya
nekuita simba randakatya neniwo.*

Sharon akazviona akauya pandiri achimhanya akasvikobata mipimbira yangu


akanzwa ichigwina gwina. Akadanha Gogo avo vakauya vachimhanya.
Vakaonawo shura raiitika apa iri. Gogo vakaedza kuda kundisumudza kuti vandiise
mumota vamhanye neni kuchipatara. Pavakandisumudza ndakanzwa simba
mumajoini mangu emakumbo.

"Gogo imbondisiyai ndimire tione. Pane zvandirikunzwa zviri kuitika pandiri."


Ndakadaro ndichibisa maoko angu pafudzi pagogo kuti vandisiye.

Ivo vakamboda kuti aiwa muzukuru unodonha kani. Ndakaramba ndichivadaro


ndokubva vazondisiya. Ndakati dheedhee kuita sekamwana karikudzidzira
kufamba. Gogo naSharon vakabata miromo yavo vose nekukatyamadzwa
nezvaiitika. Ndakatozorova masteps chaiwo mufunge.

Ndakachema misodzi yemifaro wekufamba uyu. Takarumbidza mwari tose


taivapo. Gogo vakazoti tiende kumuchato tongonoonawo. Takagadzirira
ndokupinda munzira takananga kwaichatirwa kuya.

Imika! Paiva nezvemuchato ipapo uye vanhu vaiva mavhu nemarara ungazomboti
ndi mai vangu vaya vaimukira kumaricho zuva nezuva here vatounganidzawo
mhomho yakadai? Kana Rue waizomboti ndivo sisi vekumakudo vaya? Takagara
zvedu nechekumashure tichiona zvedu zvainge zvichiitika. Mai vangu vaiita kunge
kamusikana zvako. Muchato wakafamba mufundisi akabvunza kana paine
aisawirirana nekuti vairi ava vaenderere mberi nemuchato. Takatarisa kwese kwese
hapana akasimuka. Mufundisi vakuda kutoenderera ndopakasimuka umwe
mukadzi aive akazvivhara face.

"Amai mungatiudzawo here chikonzero chaita muti vairi vasachata?" Vakabvunza


mufundisi. Ndakarohwa nehana pakabisa amai vaya jira raive kumeso, she was non
other than mai Tino but to our suprise vatotaura the unexpected things.

"Handisi zvangu kuda kudziisa muchato asi ndangouya kuzotora mwana wangu
Tinotenda haana ukama na baba varikuchata ava, uye ndinoda kuti kuna Joze uve
neupenyu hwakanaka. Ndatenda."
Vakadaro mai Tino nekunonga mwana wavo kwa kuenda vanhu vese vakabata
miromo.

Mufundisi vakati,

"Brother Jose taurai mashoko aya mumashure mangu mobva mapfekedza mumwe
wenyu ring.

'Ndinokutora iwe Tambudzai nemoyo wangu wose. Ndichakuchengeta nekukuda


nemoyo wangu wose kusvika murufu. Tichava nyama imwe munhamo
nemumatambudziko." Uncle Jose vakabva vapfekedza mai ring yavo.

Mufundisi akataura mashoko mamwe chete iwayo kuna mai ivo vakaita zvimwe
chetezvo. Mai vakapfekedzawo uncle ring yavo.

Vakanzi vachikisana miromo ikava mumwe. Vanhu vakapururudza neniwo


ndakascreamer zvakanzwika namai.

Mai vakati bvisei muromo wavo pane wauncle Jose kwakutarisa kwandaiva ndiri.
Vakabva vandiona ini ndichibva ndatanga kuvawaver. Ndakaona vashamisika
kundiona ndakamira ndega. Ndakaona vakusekerera ndikaziva kuti mai vandiziva.
That was the only gift yandaida kupa amai pamuchato wavo.
Vachibva ipapo vakauya nepataive amai vakandimbundira nemufaro ndakaona kuti
vaida kuchema ndakavati mhamha you will ruin your make up. Vakaseka zvavo,
takaenda zvedu kunotorwa ma photos zvandaidawo kuzova pamapikicha emuchato
waamai vangu.

Zvimwe zvose zvakazoitwa mhanzi ichidambuka kurira. Amai vakanga vapfeka


rimwe gown re pink uhmmm ndakashuvira kuzochatawo ndozochenawo zvaive
zvakaita amai. Pakucheka cake ndakadedzwawo tikamira padivi tichitorwa ma
picture ko iro cake racho kukura ndaive ndajaira kuonaka ema $2. Amai
vakadyisana cake na uncle ndakanyara uncle pavakananzva cream yayaenda
pamuromo wamhamha, this time Rue haana kuita hwake huya chokwadi
vaizoshaya pekupinda.

Zvipo zvakabviswa pamuchato apa waiti asi vanhu vatopedza ma shops ese kani
ko iyo mari aaah aah vanhu vanenge vachingochema mari asi vainayo zvavo
mudzimba umu. Mari yese yakabiswa yakasvika $20000 midziyo hatichatauri
sekuru Matsvai vakapa vachati mota iya inonzi Audi yerudzi rwe silver. Vaiita
sevarikuita makwikwi kani sekuru Matsveru vakapawo imba yaive ichangobva
kupera kuvakwa ku Zimre park uko.

Hameno kwaingonzi ku honeymoon kuti kwainoonekwa huchi pamwedzi here.


Ndakanzwa kuchinzi vabhadharirwa air ticket nemukoma wa uncle Joze kuenda
for one week ku Australia.

Vanhu vakupiwa zvekudya ndopandakaona mashura nezviratidzo.

Rambwai zvaakakwira comb heyo yaidedzera Chivhu Harare mongozivawo ma


comb aya anonogumira zvavo pa Chivhu okudzoserai mari. Shasha yakanga
yabhadhara 7$ Harare hameno aifunga achadzoka achata here odzoka nemota
yevachati.
Shasha yakadzoserwa $3 ndokutsvaka ma comb aienda Harare ma comb haana
kunetsa na 10am aive apinda mu Harare.

Akakwira comb yake kunanga Glenorah, akabvunzawo paakadzakira kuti nhai


pagomo panochatirwa pane muchato ndepapi? Vaya vakamuudza Glenorah haina
gomo rochatirwa asi Glenlorn. Akatorazve imwe comb odzokera town apa anga
asara ne pondo manje. Akasvikokwira $ kuenda Glenlorn kuya, better akanosiiwa
paaida chaipo asi nhamo yakauya pakukwira gomo, shasha yakambozama
kukanyaira asi nenzara yayanga yanayo yakatadza ndokugara pasi.

Vanhu vaingopfuura nemota dzavo vachienda kumuchato nekuti pagomo apa


paisafambika netsoka. Pa time yakanga yakudya vanhu ndopakatozopfuurawo
comb yaida kunotakura vanhu after wedding ndopakamisawo va Rambwai vangu
ndokuzoenda kumuchato.

Ndakakwenya Rue ndichimuratidza mashura andaiona. Takanga takagara zvedu ku


high table ndakaona baba vachiuya wena vakananga pataive straight. Apa tsvina
yavaive nayo ndakashaya vaive vabva sei kumusha vakadaro.

Vasati vasvika MC akabva adeedzera kuti vachati vedu vakubuda vakananga ku


airport kunobata flight yavari kuenda nayo kuhoneymoon. Amai na uncle
vakasimuka vakapiwa ma blessing with both their parents. Ukuwo baba vakabva
vangodonha nekufenda ipapo, vakazosara vodirwa mvura amai na uncle vatoenda.

Moyo wekuti ndi baba vangu wakarwadza pandakaona Nama kagara pa side
nababa. Ndakanotora plate yechikafu kwakuvapa Rue aive akamira zvake.

"Vanangu handichina mari yekudzokera kumusha kana mune kana ka $5


kamakapiwa na mai venyu ndipeiwo ndiwone hangu kudzokera kumba." Vakadaro
baba vachipedzisa kumwa drink ravo.
"Tiri vana vechikoro isu hatisati takushanda, ko imi mamuchiuya musina mari
yekudzokeresa seiko kunhu kwamusina kukokwa nhai? Momgodzokera semauyiro
amaita." Akapindura Rue akutofamba kudzokera kwaive nana gogo.

Dai comb yaidzokera kumusha zuva iri ndaigovati vapindewo mu comb.


Ndakashaya kana zano ndakanokumbira sekuru 10$ ndakatonyepa kuti dakutenga
something. Ndakavapa mari iya vakati vakunorara kumbare vozomuka vachienda.
Kuti vaende kumba kwemunin'ina wavo vaisatombokuziva.

Vanhu vakazoparara zvavo tikadzokera kumba kwa tete kuya. Zvese zvaive
zvabiswa pamuchato zvakaendeswa kumba kwa uncle Joze varidzi vaizouya voona
zvekuita nazvo vadzoka. Isu takazodzokera kumusha Monday takunogadzirirawo
zvekuenda kuchikoro. Apa ini moyo waifara ndaizivaka ndakuenda ku boarding
ndakanga ndatononokerwa nekunonyora ma book akawandisa aya.

Rambwai akavata achigwagwadzwa nacho chando paMbare. Ko idzo boys dzepa


Mbare hadziregi kukusechaka nekuti ukutonhorwa paakamuka akazongoona
asisina $10 iya. Shasha yakambozama kukumbira vema comb aah rakasvika
pakuvira asina chabuda uku nzara yaive yomubvunza mutupo zvino.
Akatozotakurwawo nechinwe chikombi chakati chaizomusiya kuDorova pamwe
aizopedzisawo netsoka.

Shasha yakasiwa muDorova muya kwasviba option yaitovepo kurara pa veranda


pama shops ozomuka hake ofamba kwakachena. Hameno aikusvika here
kumakudo nenzara plus kuneta. Ndoinonzi ndomene ka iyi chokwadi munhu when
you decide on something tanga watsvaka ma disadvantage acho, kwete kungoti
chero zvaita.

Joze na Tambu vakafamba zvavo zvakanaka kusvika nyika ye Australia. Vairi


vakawana zvese zviri in order kubva ku airport. Vakapinda mumota yavaive
vahairwa kuenda kuhotel. Yowee handinga taura zvehoneymoon yamai kkkkkk.
Asi zivai kuti kwakafarwa chete.

After one week amai na uncle vakadzoka takaigirwa hudobi dobi kani. Amai
vakanga vakugara kumba kwana uncle Joze zvakambotinetsa kusagara namai vedu
asi ambuya vakatishingisa kuti ko pataizoenda ku boarding taidii.

Sezvo zvikoro zvaive zvasara mazuva mashoma kuti zvivhurwe amai vakangonoita
chiroora kwe 2days vakabva vatouya kutitora toenda Harare. Takapinda busy
veduwe yekurongedza midziyo yaishandiswa na uncle yese ku cottage takuisa zvi
new one mumba.

Week raivhurwa zvikoro ndakanotsvagirwa nzvimbo it was easy zvandaisafungira


nekunonoka kwataive taita, asi nekuda kwemapasiro andaive ndakaita ndakatorwa
pasina kana chizivano kana chioko muhomwe plus favour yamwari yaive
pamuromo pangu ndaiziva zvinoita chete.

Following day takanotengerwa ma uniforms edu nema trunk veduwe ko


ndaimboziva kuti iwo mazisimbi e black aya ndoinonzi trunk imiweeee chero
musina mari munambopota muchipinda nevana mu town kungovaratidzawo zvinhu
kuti vakure vachiziva.

Takasvika kumba tigagokumba hembe dzese dzakanaka tichiti toisaka mu trunk


muya kkkkk imi ka imi. Takaudzwa kuti hakuitwe izvozvo ku boarding apa
ndaitoti vanonondiona kuchikoro ikoko.

Takazorongedzerwa zvaidiwa kuchikoro. Day before kuvhurwa kwezvikoro


takaonekana na Rue umwe neumwe oenda kwake. Takambochema kuti
takuparadzana, mwana wamai vangu ndaimuda zvangu iyeyu. Ndakabhabhaisa sisi
Nama ndikabuda zvangu.
Ini ndakaenda na uncle Rue akaperekedzwa na mhamha . Sezvo yaive 1st time
takanzi hataienda ne bus.

Boarding school here i come.!

END OF CHAPTER 48

TO BE ADDED IN APP GRUP INBOX NUMBER ABOVE

NEXT CHAPTER SOON

LIKE OUT FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES

HAPPY READING ..... LOVE YOU ALL.

NYEVERO

Chapter 49

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

Boarding school here i come!

Takasvika zvedu kuma 1 dzemasikati ku Mt Darwin kunyika yemasau uko kunova


kwaive nechikoro cheMavhuradonha. Vana raingova beswana sezvo raive zuva
raiuya vana vechikoro kuzogadzirira kutanga zvidzidzo zuva raiteera.

Ndakaonawo vamwe sisi vaivewo vanyowani vaiita sevanoziva zvese sa Satan


akatadza kuzopinda denga nenyaya yezivo dzenhema. Ndakanga ndakutoudzwa
kuti pano pakazodai, pakazodai apa iye aitovawo munyunyu zvake seni. Ini hangu
ndaive ndabva ndapiwa lecture na amai kuti,
"KU BOARDING FAMBIRA CHIMWE SA DRIVER WE AMBULANCE.
UKADZINGIRIRA TSURO MBIRI HAPANA YAUNOBATA HONA INI MAI
VAKO NDAKADZINGIRIRA TSURO MBIRI HAPANA CHAKABUDA."

Ndoaive mashoko amai vangu aya, chokwadi ndakanga ndazvipira kuita zvema
book, yangu shuviro ndaida kuzovawo chiremba wamangwana ndigokwanisawo
kubatsira vanotambura.

Ndakasuduruka zvangu paya kwakunomira pangu ndega ndakamirira uncle vaive


vati varikudzoka. Pakare pakare nharembozha ya uncle yavaive vandisira yakabva
yatanga kurira ndakatarisa ndikaona pakanzi My love calling, ndakaziva kuti ndi
amai vaifona. Ndakamboitarisa ndichitsvaka pekubaya aah yakasvika pakukata
ndakangotarisa. Yakatangazve kuzhamba ndakaona sisi vaya vofamba kuuya
pandaive ndakaita confidence kwakungotsvairawo pa screen payo aah ko
tatajairaka kuzongopiwa foni yatodairwa wotaura. Vana mai dzidzisai vana
zvimwe zvinhu zvamunofunga hazvina basa mudzimba umu, hakuna chinhu
chisina basa wee why chiriko saka?

"Hello momy!" Ndakadaira nekutaurawo kachirungu kuti sisi vaya vasasvike


pandiri.

"Aah vana Nyevero makutaura chirungu ku boarding nhai? Ndi Rue havasi
mhamha ndati nditaure newe mhamha vakuda kudzokera ava." Akadaro mafira
kureva, ndakaseka zvangu ndikamuudza reason why ndaive ndadaro.

"Rue usaite musikanzwa mwana wamai vangu unodzingwa chikoro sekuru


havazofare kukubhadharira handitika? Be a good girl my sister I will miss you Rue
tozoonana muna April ku holiday dakuona ndiani anenge akapasa." Ndakapindura
uye kurairawo mwana wa mai vangu.
Takazoita ma goodbyes edu akapa mhamha foni ndikataura navo na Nama. Amai
hapana chimwe chavaitaura kunze kwekuti ZIVA ZVAWAKAFAMBIRA.
Ndakabva ndafunga hangu vamwe mai vatakamboona vachiraira mwana wavo
akwira bus kuenda Harare vaita kudeedzera ko kubva maraira mwana wenyu
kumba nhai veduwe?

"OK mom I will never disappoint you ndichadzidza nesimba and I will make you
proud one day." Ndomashoko andakapindura amai vangu. Takaita ma goodbyes
edu uncle vakabva vasvikawo vakazotaurawo na sisi Rue.

"Nyevero this is your new school chandinotarisira kudzoka pano ku visiting kwete
ku hearing yako. Wish you all the best my daughter." Ndomashoko akataurwa na
uncle aya ndakagutsurira musoro kuratidza ndanzwa zvavataura. Uncle
vakazodzokera havo vakasiya vatondibatsira kuwaridza ka bed kangu kwainzi
kuma dom kwataigara. Ko ndaifunga kuti kuboarding unenge uine room yako
wega zve ayas kusaziva kufa sure. Takatorwa ndokunoratidzwa hedu yard
yechikoro nezvese zvataifanira kuziva ndokuzodzokera hedu kuma dom kwedu.

Ndakasvikoenda mu toilet ndokunamata munamato wangu, "Mwari baba vari


kumusoro kudenga ndauya pano pachikoro cheMavhuradonha, nditungamirireiwo
mwari ndiwanike ndichava mwana anoteerera vadzidzisi vake ndiwanike ndiri
pamusoro pevamwe vana. I'm the head on the tail Lord and I'm above never
beneath. Mwari ndongoti zvandirikuda kuzovawo muupenyu mozviziva grant me
the desires of my heart Lord, ndoisawo Ruregerero mumaoko enyu mwari protect
her where ever she is in jesus name i pray, Amen."

Ndakabva ndadzokera zvangu paka singuru bed kangu kwakutanga kuverenga ma


notes angu andaive ndapiwawo na amai kusanogadziriraka what is Commerce?
Mabva mafunga high school life ka? Ya dai kwaidzokerwa kana neni
ndaitodzokerawo.
Ndakasvotwa kuona sisi vekuziva maningi ava vari pa next bed neni. Before I
knew it vanga vapa bed pangu.

"I'm Nyevero Tagara may i know you?" Akadaro musikana uya. Ooh my God
Nyevero zvakare ndakati mwari itai asave mu same class neni nekuti airatidza
kuva nedzungu rinozadza rusero chairwo.

"I'm Nyevero Mabika." Ndakapindura ndichitokanda book randaive ndakabata pasi


kwakunanga panze kunorohwa nemhepo. Iye ndofunga akangoona kuti was not in
the mood to speak to her.

Sisi Rue kuchikoro vakawana kune team raive nebhero rekungwarisa kudarika
ravo asi nechemumoyo shasha yaiti ndichakugadzirisai zvangu. Shasha yakanga
yakadzikama ichiona zvayo semunhu mutsvawoka pachikoro unombotanga
wachecker ma settings.

Aive awanawo kashamwari kaivewo kamu nyunyu pachikoro apa.

PaMabika pamba pana Rambwai paitonzwisa tsitsi, Rambwai aive afamba mazuva
matatu kuti asvike kumba tsoka idzi dzaive dzakuita sezvitanda kuzvimba. Ko iko
kuwedzera kuonda nekurwara kwaanga oita, ko aitadza nei iye aive asiya mapiritsi
maaifamba namo aifamba achikumbira chekudya nepekurara pamwe aipiwa mvura
chete.

Paakasvika kumba kana mai vake vaida kumupopotera mari yavo asi vakatonzwa
tsitsi nezvaive zvakaita mwana wavo. Ko moyo wekuberekaka wagara
unotorwadza hakuna ukaona mubereki anorasa mwana wake uhhhhmmm hameno.
Pana mai vandoziva mwana wavo akavabira $200 vakanomurovesa ku police asi
paakanzi aba ku next vakamurambira kuti wangu haadaro kana muri kuti aba oyi
mari yenyu. Wotoshaya kuti ko paya paakaba yavo why vakati ndiye aah hameno.
Rambwai aive aive murwere anotoswera akarara zvekuti aifanira kutombomwa
mapiritsi nekudya zvakasimba kuti apike. Apa dumbu ra sisi dhori raikura ko
yaifambaka mwedzi apa kana nechipeneti vaive vasina hameno vaida kuzomubata
nei mwana wacho.

"Munoonaka mabasa ekusagutsikana aya? Moti vakati dzingidzi gonyera pamwe


vainyepa here?
Iyezvino warombe munhu aizvishandira asina chanoshaya. Wakazvisikira moto
muziso mwanangu, itomwa zvako mapiritsi aya usimbe ukwanise kunotsvaka basa
ushandire mhuri yako iyi."
Ndi baba va Rambwai vaiudza mwana wavo uyo aingosvimha misodzi akarara
pazuva.

Iye kana kumuka kwaive kotomunetsa kugara aitoisirwa pillow. Aive ongodemba
demba kufa pamwe vadzimu vaive vomudeedza hameno.
Mafaro akanaka kana uchiziva pekugumira nekuti kana wamu situation seya
Rambwai iyi vese vawaifara navo hauvaoni or kunzwa nezvavo. Vanenge
votokuseka kuti aifunga zvinoenda nepi.

Joze akadzokera zvake kumba akawana madam vaako vakanodya zvavo out
vachifara. Vakaronga kuzonotsvakira sisi vadiki nzvimbo ku creche sezvo vanga
vave ne 5years ko ivo vaimbodawoka kuswera vari vaviri vachitamba chikudo.
Chitsva cheumwe chitsaru cheumwe veduwe Joze aitove mudenga rechinomwe
nemhandara yake Tambu ko kutyei iye anga awake.

Ndakabva zvangu panze ndaona sazita wangu auyawo panze. Akatoona ndaimu
avoider ndakazoona ave neumwewo musikana aigarawo mu same dom nesu.

Nguva yekudya yakakwana takaenda kunodya, ndakati asi vafunga i tea time?
Sadza nemazibeans aah ko ndaiti ku boarding kuchirunguzve ini. Takabva taudzwa
time dzataidiwa pa assembly zuva raitevera uye time yatainodya tisati taenda kuma
classes.

Ramangwana bhera rakarira tikanogeza zvedu ndokuenda kunodya kwakuzoenda


kuma classes. Aiwa ndakafara pandakaona sazita wangu asiri mu same class neni.
Zuva iri takaswera tichiratidzwa vadzidzisi vaizotidzidzisa ma subject akasiyana
siyana ko ndaitofunga ku secondary kuna ticha umwezve mu class seku primary.

Aiwa nekufamba kwemazuva ndakanga ndakuita ndichibata boarding life uye


kuitawo ndichijaira kusagara na amai padhuze, ndakanga ndanewo shamwari
yangu ainzi Natasha Makwarimba, taidzidza mu same class asi taigara ma dom
akasiyana. Kumba aigara ku Kwekwe takapindirana pakuti aive akanyarara seniwo
kana mu class airova.

Mwedzi wakapera takanga takusimba zvino ne beans dzepaMavhuradonha.


Vakomana vakanga vochitanga kuita havo basa ravo, ini ndaitove chazezesa chaiye
eh vaisvika zvavo vairi vatatu asi ndaimuudza zvekuti ainoudza vamwe vake.

Ndakatanga kuwirirana nevamwe madam vaititisa History nenyaya yekugona,


zvekuti ndaive ndakutaura na amai every weekend. Ndakafara kunzwa kuti sisi
Nama vakutogona kunyora zita ravo mhamha vaive vakuendawo kuma lessons kuti
vagonyorera O level. Kunamata handina kurega pandadira kunamata pega pega
ndaipinda zvangu mu toilet ndonamata ko mwari vanonzwa chero ukanamata uri
pai zvapo.

"Joze sha ndirikunzwa kusvotwa uye kumonywa mudumbu mangu ndikutoshaya


chingava chii." Vakadaro mai Nyevero vachiyemerera vakarara zvavo pamakumbo
emudiwa wavo vachiona zvavo TV.

"Madyisa madam imboshanyirai chimbuzi."


Akapindura hake achiseka Joze vakazopiwa tsangamidzi vakatsenga zvavo asi
chakavanetsa pain haina kupera. Kuti varambe vachinetsa vakatya kunzi
wakuzvitisa.

"Saka mwana wedu wechi 4 tomuti ani nhai mai Matsvai." Akabvunza Joze
akatarisa mai mwana vake mumaziso chaimo.

Mai Nyevero mubvunzo uyu wakavarovesa hana vakabva vasimuka kumhanya ku


toilet mudumbu maive matovashanyira.

Pfungwa dzakati tisvikewo pano. Saka iwe unoti zvawakaroorwa na Joze asina
mwana achada vako kusvika kupi? Uchaita sei iwe usisazvara? Achanotsvaka
anomuitira mwana kunze uko iwe handiti hauchabatsira? Ipfungwa dzavo
dzaipishana idzi. Chavakakwanisa kuita kupfugama mu toilet muya kwakunamata
vachisira zvese kumusiki. Ko Mwari ndovega vanokwanisa kuchinja zvinhu even
kuita kuti zvisipo zvivepo. Nothing is too hard for the Lord and nothing is
imposible with God chavanoda mwari kuudzwa he won't act until you tell him your
situation.

Joze akasara aka feeler guilt kuti pamwe zvaataura zvarwadza umwe wake. Asi iye
aitotaura mukutamba neumwe wake akaendawo ku toilet kuya paakawana mai
mwana vachinamata akasvikopfugamawo ndokuvabata maoko vakatanga
kunamata vese, vakazobva havo mu toilet muya vakunorara.

Mai Nyevero vaive vati havadi maid vairara vaita basa ravo vomukoendesa mwana
ku creche vozoendawo kwavo kuma lesson. Aiwa zvaiendeka pamba pa baba na
mai Matsvai jnr apa.

Mazuva akafamba takaudzwa kuti vabereki vaizouya kutiona weekend yaiteera,


ndakafara veduwe ndaive ndasuwa amai vangu na Rue na Nama chero zvake Rue
aisauya i knew ndaizotaura naye pa foni.
Vabereki vakauya takadyawo chikafu chachabva kumba i notice some change pana
amai ndakangoti pamwe munhu ari kuzvisinbirawo hake nekudya akagara ko
zvazvasiyanaka nekwamakudo kwavaiswera kumaricho. Sisi Nama vanga
vangwarira zvino kunonzi kuchikoro unongwara.

Ndakaratidzawo vana mhamha shamwari yangu itsva iyi, iye akandiratidzawo


vabereki vake. Takazonogara zvedu pa side pemota tichikurukura zvedu.

"Nyevero ukudiwa nemukomana wako kuseri kuma toilets uko."


Kakadaro kamwe kamusikana takatomira nana mhamha.

Ndaka.........!!

END OF CHAPTER 49

NEXT CHAPTER SOON

TO BE ADDED IN APP GRUP INBOX NUMBER ABOVE

LKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES AND
SHORT STORIES

HAPPY READING .....LOVE YOU ALL AND THANK YOU FOR


SUPPORTING ME!!

NYEVERO

Chapter 50
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*"Nyevero ukudiwa nemukomana wako kuseri kuma toilets uko." Kakadaro


kamwe kamusikana takatomira nana mhamha.*

Ndakangokwanisa kushama kwakubata muromo wangu asi chekutaura


ndochandakaya. Ndakaziva it was a set up naNyevero Tagara uya wandaive ndapa
bendekete rakatonhora. Ndakatarisa amai na uncle ndikaona ndakapiwa ziso rainzi
taura nyaya yako.

"Ukuziva munhu waurikuda here nhaiwe? Inini? Mukomana? I think wauya


pamunhu asiriye." Ndakapindura uku hana ichiridza ngoma yemudzimudzoka
chaiyo.

"Asi haunzi Nyevero kani? Iyy mutumwa haana mbonje asikana ini ndangonzi
ndipfuure ndichikuudza zvakwauri kuenda kana kurega." Akadaro musikana uya
kwakutoenda wena. Ndakashaya kana zvekuita veduwee apa amai na uncle vaive
vakamirira mhinduro.

"Makutoita zvevakomana here nhai vatete? Ndozvamakauira ku boarding here?"


Amai vakabvunza vakanyatsonditarisa mumaoko chaimo, ndakashaya kana
chekupindura asi kungoyeredza misodzi.

Pandakazoda kuti nditi handizvizive amai vakabva vatanga kurutsa. Uncle


vakangoburitsa $50 kwakundipa kwakuisa amai mumota ndokutorova mota yavo
vodzokera Harare.

Ndakasara ndikachema veduwee. Pfungwa dzekuti amai vatoenda vachifunga kuti


ndine mukomana dzakatanga kundidya. Ko iye aive aita zvakadai ndiani chaizvo?
Ndakaenda ku dom ndichimhanya kuda kunotsvaka sazita wangu, ndakaziva ndiye
chete aive andiitira miedzo iyi hakuna umwe.

Ndakasvika ndichiita kufemera padenga kunge ndere, uku hasha dzandaive nadzo
dai ndakawana arimo taitombomarana. Ndaisagona zvangu zvibhakera asi musi
uyu ndaive ndazvipira kumbomukanda zviviri zvitatu. Ndakawana sazita wangu
asimo zvake ndakazama kutsvaka musikana uya aive atumwa wacho asi
ndakamushaya.

Chandakazokwanisa kuita kupinda mu toilet kwakunamata. Regai zvinzi miedzo


haiperi kuvatendi chokwadi, paunonamata zvakanyanya ndopanoita sepakuoma
zvinhu zvakanyanya zvekuti ukasangwara unoramba kuva mukirisitu uchiti mwari
havako. Izvo aiwa sometimes God tests your faith and your love for him kuda
kuona kuti will you still continue to pray kana zvinhu zvikaita sezvakutooma iwe
uchinamata day and night?
Ipapo Satan ndopaanouyawo nepa side achikuudza zvakewo zvekuti ukapusa
chokwadika hameno.

Prayer inoudza peace mufunge after prayer ndakatanga kunzwa zviri nani. Kana
hasha dzakanga dzaenda ndakanga ndato worried na amai kuti ko vanga vorutsei?
Kuti ndaive ndavatsamwisa zvekusvika pakurutsa? Uhmmm hameno mwari.
Ndakadzokera zvangu ku dom kwakunorara paka bed kangu ndoverenga hangu
Geography sezvo taive ne test Monday yaitevera.

Joze akamhanya nemukadzi uyo aive ongorutsa better maive neka bucket
mumotamo nhaka dai mota yakazara. Haana kutozoenda ku Harare akamhanya pa
Bindura hospital vachingosvika pa gate mai Nyevero vakabva vamira kurutsa
kuya.
"Nda bhoo ini shamwari handei kumba dakunorara ndikunzwa hope chaidzo
ndofunga izuva rekwatabva uku rinopisa kunge moto." Vakataura mai Nyevero
vachivhara ka bucket kaya kwakukaisa kuseri kwe seat ravo.

Joze akambozama kuda kunyengerera kuti vachingoenda pachipatara sezvo


vavatosvika asi hazvina kushanda. Vakazobva vapinda nemuSpa vachitenga havo
zvekumwira mwira. Nama ndiye aingoimba kuda kunoona Rue ko aisazivazve kuti
boarding school ya Rue yaive isiyo yaNyevero. Akaudzwa kuti vaizonoona Rue
weekend yaiteera ndopaivewo ne visiting yake.

Pakamboita runyararo umwe neumwe hameno zvaaigungawo. Mai Nyevero


vaifunga zvemukomana aive ataurwa, asi moyo wavo waivarambira kuti mwana
wavo haangaite zvakadaro. Variko vana vekuti unomurambira kozoti vekuti
hautombomurambiri ukanzwa kuti aita chakati. Dzidzisai vana mudzimba umu
zvekuti ukanzwawo panonzi adai unomupupurira kwete kuti unotuzura wanzwa
kuti mwana wako adai.

Uyowo Joze kamwe kamoyo kaifara aifunga mukadzi wake ane pamuviri, asi
dzimwe pfungwa dzaimuudza kuti wakarora mukadzi aguma ura iwe don't expect
mwana kubva
kwaari.

Joze ndiye akazo breaker silence yanga yanyanya iyi.


"Nhai mai Matsvai munoiona sei nyaya yaitika kuchikoro uko? Do you think
Nyevero wedu angaita zvakadaro or mwana uya aita mistake?"

Mai Nyevero vakapindurawo vachiti, "uhmmm mhazi ini ndatova ne confusion


chaiyo, kana anga asiye why ataura zita remwana wedu nhai? Hameno tozoona
nekufamba kwenguva."

Vakazofamba havo vachitaura nyaya plus radio yavo Nama anenge


achingoimbawo zveku creche. Kumba vakasvika zuva rotopinda muna mai varo.
PaMabika zvinhu zvakaramba zvakasimbirira Rambwai nyama dzanga
dzomudzimba zvekusvika pakuti aidemba kufa. Umwe musiwo mai Sharon
vakapfuura nepo vachienda ku garden kwavo vakaona kuti munhu akutofa
achitadza kuenda kuchipatara. Ko aienda nei iye anga asisina kana ne bete zvaro.
Ko airiwanepi handiti anga akatiza musha? Chokwadi makamboobepi baba vane
mhuri vanodzokera mugota? Hakuna zvakadaro ndokushaya musoro munhu rume
akanzi achadya cheziya saka kushandisa maoko kunotodiwa veduwee.

Mai Sharon vakapa Rambwai ka 10$ kekuti aende kuchipatara. Akasvikopiwa bed
straight nekuti aive asisatombotarisiki. Atumbwa vaive vodida zuva nezuva
kunoona murume kwaMutambinda. Vamwe vezera rake vachisvisvina mabook iye
ari busy kupepa munhu akainzana na baba vake. Upenyu haudi kudai ndiwo anonzi
mandikurumidze akazvara mandinonokera manje aya. Chaaive agona chii apa? Be
careful with the decision you make in life you will become a slave to those
decision one day.

Muchipatara maive nani akatanga kupika zvishoma nezvishoma. Zuva nezuva


airota mai Nyevero vakabata mwana mucheche mukomana mumaoko, hope idzi
akashaya kuti dzairevei chaizvo nekuti aiziva mai Nyevero vakanzi havachaita
mwana. Akatofara achiti mukadzi wake aive akatakura mwana mukomana chete
zvekuti dai mari yaivepo aah vaimuka vari kwa doctor ku scan.

Nekufamba kwemazuva Rue akaita achipinda mu tune zvake. Akanga atozopiwa


zita remadunhurirwa rekuti Gona. Akanga agona vese vainzi ndururani
paChemhanza kubva ku grade 1 kusvika 7 apa aizviti anogona pama grade 6 hana
yaive yogara yakatinhira nekutya kukundwa na Rue. Ticha vake vaidada naye iye
aita musara yake kuma dom neku ground panenge pasina maticha.

Prefect aive mu class mavo akanga asisina nharo na Rue akanga agadzirirwa size
inoshinya chaiyo. Ndichazokuudzai zvaakaitwa umwe musi nhasi ndiri kumhanya.
Mazuva akafamba zvawo ndakanga ndakutya kutaura na amai ndaingoti ko
ndikabvunzwa nezvenyaya iya ko ndaizivei kuti kwavari zvazvatopera.
Ndakarohwa nehana musi wandakadedzwa na madam ve history vachichiti
ndikudiwa na amai pa foni.

"Makadii mhamha?" Ndakangotambira foni nekumhanya kutaura ndisina


kumbonzwa ndiani aive pa call.

"Madam Mabika murikuzvigona sei paMavhuradonha apo?" Akadaro Rue


achiseka zvake . Ndakambonyevenuka moyo ndakazama kufeya Rue kuti ndinzwe
kana pane zvaanga audzwa na mhamha asi haana chakataura kunze kwekutoti
mhamha varikundirumbidza kuti ndikuita zvakanaka.

Takazotaura zvedu dzimwe nyaya achindiudza ma version ema firimu aita zvake.
Ndakazotaurawo na mhamha na uncle i was surprised they didn't ask me anything
panyaya yangu. Takaita our goodbyes ndikapa madam foni yavo ndodzokera
zvangu kunoverenga.

Pasina nguva Natasha akabva asvikawo, "ko shamwari urisei?" Akabvunza


Natasha achigara padivi pangu, ndakaziva ane nyaya kamugariro kacho kakaita.
Ko Natasha ndaitomuti newsnate hapana chaiitika pachikoro akatadza kukuudza
ndaitombomuseka ndichiti uchashanda ku Hmetro nekuda nyaya kwako.

"Eeh moda kutiudza ipi nhasi? Magariro ako aya une nyaya iwe, tora book iro
tiverenge makuhwa toita later." Ndakamudaro ndichitoseka zvangu.

"Shamwari mira ndikuudze nyaya yandanzwa isati yashisha, ko ndawanazve


munhu akakuitira mashura pamberi pevabereki vako musuya." Akadaro musikana
ini nekuda kunzwa ndakanga ndachiti mazinzeve kwangwa zvino iwo akakura
kunge etsuro, regai ndaigona hangu veduwee ko zvaibuda nepiko zvandinenge
ndadzidza naiwo mazinzeve iwaya.
"Ndi Takunda iwe kaya kekumbokupfimba kaya kemu form 2B. Hanzi aida
kukumakisa chete nevabereki vako hande tomugadzirisa." Akaenderera musikana,
Natasha pakuda kurova here iyy aive nehasha ndakazomudzora ndikati tisiyane
nazvo.

Moziva ndakanyara kunge imbwa yapinda mu bus, ko dai ndakanobvumbutudza


sazita wangu musuya? Ndakabva ndadzidza kuti kufungira kwakaipa unovenga
munhu asina zvaaita. Takazoita zvedu zvema books kusvika time yekunodya
yakwana, takuenda ku dinning ndiye dhuma dhuma na Takunda uya nema friends
ake. Akatanga kundivharira road achitaura zvisina basa. Moziva
ndakamuregedzera mbama yandisingazivi simba racho rakabvepi nanhasi.

Akanowira kwakadaro ndakasiya akusekwa nema friends ake kuzoti Natasha


handichatauri. Apa ini ndaive ndotya kunotaurirwa zvino ndakangoti mwari
ndiregerereiwo it was not my intention to hit him like that. Ko iko kutya
kuzoitirwazve minana kana kutorohwa ndakangoti mwari pindirai.

Mazuva akafamba everything was well kuchikoro. Takasvika pakuvhara Takunda


achiti akandiona aichinja nzira. Ndaikuvara zvangu nekuseka dai aimboiza
aitotizawo zvake gwara aisambodaro.

Ndakanga ndakapasa zvaidadisa, ndaive ndakunda ma form 1 ese ndichiterwa


neumwe mukomana then Natasha. Takapinda mu school bus todzokera Harare.
Ndaifara veduwee kunoonana na Rue nevabereki vangu.

Takasvika mu Harare Natasha akamirirwa nevabereki vake. Iniwo ndakawana


uncle vakandimirira amai vaive vanotora Rue kuchikoro kwake.

"Makapasa here vatete or mukutamba henyu kuchikoro uku?" Vakabvunza uncle


vachiseka havo. Ndakapindura kuti ndaive ndakapasa.
Takaenda nepa Nandos kuti titenge take away yekunodya kumba, ndakarohwa
nehana ndichi.............!

END OF CHAPTER 50

NEXT CHAPTER SOON

TO BE ADDED IN APP GRUP INBOX NUMBER ABOVE

LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES

HAPPY READING ......THANK YOU FOR YOUR SUPPORT!!!!

NYEVERO

Chapter 51

Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)

*Takaenda nepa Nandos kuti titenge takeaway yekunodya kumba, ndakarohwa


nehana ndichisanaganidzana maziso na Takunda. Zvakandinetsa kuti ko why anga
atuteera? Ndakanga ndatarisira the worst kubva kumukomana iyeyu nembama
yandakambomupa iya hameno. Apa aitouya pataive takamira na uncle
ndakamboda kudzokera kumota ndikaona ndaitozozvimakisa.*

"Hesi Nyevero, wadonhedza report yako iyi pawadzaka mu bus so i ask my driver
to follow your car kuti ndikupe report yako." Akadaro Takunda achinditambidza
report yangu.
Ndakaita kutura befu rakavhundutsa na uncle ndisati ndatambira report iya.
Chokwadi kana wanga wakatarisira horror kubva kumunhu akaita the opposite
unoita imwe relief yakaoma.

"Thank you Takunda you save me, thank you so much may the Lord bless you!"
Ndakataura ndichitambira report yangu iye hanaana chaakataura akatendeuka
odzokera.

"Yanga iri pai report nhai Nyevero? Next time be careful with you staff okey?
Unovaziva mhamha vako nhasi wainoitwa kanyamakanyama." Vakadaro uncle
vachiseka zvavo. Ndakatozoyeuka kuti ndaive ndakabata report pamakumbo mu
bus tichiratidzana na Natasha i think pakusumuka yakabva yangodonhawo pasi,
ininekufarira kuenda kumba handina kuzombofunga kuti ndandakabata report.

"Nyevero!" Ndakanzwa kudeedzwa takutosvika pamota takabva tangomira uye


kucheuka pamwe na uncle, takaona ari Takunda uya aimhanya achiuya pamota
pedu. Ndakashaya kuti ko chava chii zvekare?

"Nyevero I'm sorry for what I did last time pakauya vabereki ku visiting nekutuma
munhu akakuti ukudiwa kuma toilets I'm so sorry ndaida kukuwachisa pavabereki
vako, but now i realise you are a good person. Once again I'm so sorry." Akadaro
Takunda uya achiratidza kurevesa.

I was shocked really nehu stubborn hwaive na Takunda so kutokumbirawo


ruregerero? Takunda aive mwana uya akaregererwa spoiled brat zvake kana
homework ainzi aibhadhara vamwe vana kuti vamuitire ma marks aibhadhara
mamwe maticha owedzerwa zvake. Vabereki wee vana havanzi vasapiwa zvinhu
asi kana uchisira mwana ari ku boarding $500 unoda aiitisei? Vamwe vabereki
touraya vana tega chokwadi. Umwe mwana anosvika pakutoorwa asingagoni kana
kuwacha mbatya dzake dzemukati nekuremadzwa hanzi maid anoita, musadaro
vana veduwe mwana ngazive zvese.
Ndakatarisa uncle ndikaona vachisekerera ndakafara kuti atleast now they know
the truth.

"It's okey Takunda apology accepted, but don't do it again not to me or anyone else
okey?" Akagutsurira musoro ndokudzokera zvake kumota kwavo.

"Chibvai matipa hedu report iyi tione musati mairasa zvekare." Vakadaro uncle
rumwe ruoko rutori pa starring. Ndakavatambidza report yangu vega vakapa
kutenda chikoro here aiwa taive takapiwa njere nedza baba vaive vasina musoro
nedzavo njere, hamenowo Nama kana aizoita dofo kuti aizotodza ani.

Takasvika kumba amai na Rue vatosvika, Rue akaita kundikwakukira


paakangonditi baa. Apa kaive kasimba kwete kutamba.
"Uhmmm sisi imi hamusi kuba chikafu chevamwe here kuchikoro uko? Kuita
kanzou kadiki kudai kwakanaka?" Ndakadaro Rue ndichiseka zvangu.

"Ndamunhu kwaye shamwari kungoti chete uko hapana distance yekufamba


sekumakudo kwataifamba uko plus hapana zvekuita basa after school
ndingasasimba zvangu?" Akapindura Rue achitobvuta report yangu.

"Hi momy, how are you?" Ndakadaro ndichimbundira amai vangu vaive
vakanyura zvavo mumutefe tefe we leather sofa.

"My angel how are you? Makapasa here vatete?" Vakapindura amai vachipa Rue
sign yekuti auye ne report yangu.

"Ko zvapakaiswa ma A A A A ndeeiko Nyevero? Ma Absent here asi wairovha


kuma tests?" Ndakamboda kuseka zvangu Rue aida kutoziva zvese
ndakazomutsanangurira zvazvaireva tikapa mhamha report yangu.

"Enough of me madam tionei report yenyu." Ndakadaro ndichinogara pasi, uncle


vakabva vapundawo. Sisi vakatipa report aiwa vaive vapasa number 1 as usual
ndakaseka zvangu pa behaviour pakanzi good behaviour ndakangoti dai vaiziva.
Ndakaona uncle vakudeedza amai padivi ndikaziva vakunovadza nyaya yekwa
Takunda iya. Nama akatiratidzawo zvavaigadzira ku creche ndakangoti mwari
makanaka isu musuwo we creche hatiuzive.Takazofara zvedu tikanzi taizoenda ku
Kariba for weekend by flight iyyy iyyy pakaita basa.

"Ini hangu ndosara na Aunt pano or kuenda kumusha kuna gogo." Ndi Rue uyo ko
aive anzwaka yendege kana ini ndaitya uhmmm. Takazonyengererwa tikabvuma.

Weekend yakasvika tikano flyer but this time it was different hatina kana kuchema,
kana kurutsa zvaingoda Nama aisaziva kuti kunze kunei pamwe aitoti i bus
hameno. Amai ndovakatoita marambandege musi uyu vakasvika Kariba
vachingorutsa.

Mai Nyevero vakambonyumwa kuti ko kurutsa uku kukagoita sekwemunhu ane


pamuviri? Asi ivo moyo wavo waingovarambira kuti wakanzi hauchaite mwana.
Joze nerimwe divi aifungawo zvimwe.

"Darling unofanira kunoona doctor as soon tasvika ku Harare zvakunyanya izvi


unogona ukuchengeta chirwere." Ndakatsigiranawo na uncle amai vaive
vakungorutsa rutsa maybe pane food yavaidya yaisaenderana navo.

Weekend yakapera tichifara zvedu pa Kariba ndakasanganawo nevamwe vana


vandaidzidza navo varikowo ku Kariba nevabereki vavo. Pakudzokera takanga
tanzi ne bus uncle vaida kutinzwa zvavo, takatoramba bus tichida ndege kkkk
yakanga yazojairwa nemapenzi nhaka dai kuchikoro kwaive ne nhandare yendege
nhaka uncle vaibuda mari nekutiendesa ne ndege kuchikoro.

Monday makuseni seni amai vakamukirwa navo kwa doctor vakamboda kuramba
asi vakatonzi hande.

Ndakasara ndikapinda mu room mangu ndikanamata kuti amai vasanzi vane


chirwere chavanacho ndakanamatira kunzwa good news paizodzoka vana mhamha.
Vaviri vakarova mota vakananga Machipisa kwaive na doctor wavo vakasvika
doctor vatoopo pa office pavo.

Mr & Mrs Matsvai how are you? Marova nei kudai garai zvenyu pazvigaro apo."
Ndi doctor vakataura vachipfeka magirazi avo.

"Thank you doctor, tauya nekanyaya kadiki diki zvako. Amai varikungorutsa rutsa
toda muvatarisire kuti chii." Akaindura Joze.

Doctor vakatorana na Tambu vonoita ma tests avo vakapedza vakambogara havo


kwetuma minutes.

"Congratulations Mr Matsvai your wife is 8weeks pregnant, aiwa makazviita ku


Australia kwa....!" Doctor havana kupedza vaganwa na Joze.

"Doctor please please don't play jokes with us here imboitai zvebasa, you mean my
wife is really pregnant?"

"Yes sir, your wife is really pregnant and one more thing amai vakatakura mapatya
ava marangarirwa nedenga baba you still remember our tests last time right? Your
God is a great God Mr Matsvai here you go." Doctor vakadaro vachi shaker Joze
maoko uye kumutambidza ma results avo, mai Nyevero yanga yangova misodzi
yega yega misodzi yemufaro ndoyaive yongooerera uye kurumbidza Mwari wavo.

Mwari aive anzwa kuchema kwavo, eeh hazvo Joze aive abvuma kuchengeta vana
vavo asika aizodawo wake mwana. Ukuwo Joze aifara kuti zvake zvaita paakaziva
kuti Tino haasi mwana wake akanga aenda kuma tests akanzi ane low what what
what wee hameno iya yekuti murume anogona kutadza kuita mwana, izvi aive
asina kumbozviudza mai Nyevero kana ani zvake yaive secret yake ega.

Varimo zvavo varume vakawanda vanochengeta such secret nekuti hapana


murume anoda kunzi hazvari. Unotoona murume achiramba mukadzi hanzi
hauzvari ko iwe wakamboendawo here kunoonekwa nachiremba? Tangai
maonekwa nana mazvikokota musati maramba mukadzi plus usati waunzirwa
mwana asiri wako mumba nekuti mukadzi anogona kuona kuti baba ndimi mune
dambudziko asi hamudi kunoona chiremba anobva atsvaka zvake imwe plan kuti
akupe mwana wacho.

Joze akabva atofona kubasa kuti ma meetings ake ese akanzurwe. Ko anga ane
mufaroka aida kunoswera achitamba nezvaive mudumbu mavadzimai, vakabva pa
doctor paya vonanga kumba.

"Saka mai 2 vana venyu ava moda kuvati vananiko?" Akataura achipuruzira
dumbu remukadzi wake.

"Zva mhazi veduwee tononzwa nana sisi vacho kumba uko." Vakapindura
vachinyara nyaya kunge mhandara iri kupfimbwa.

"Ini zvangu ndoda kuvati Ropafadzo and Ruvimbo nekuti nekuvimba nashe
taropafadzwa nechipo chevana ava." Akapindura Joze amai Nyevero vakaseka
zvavo vachiti akuudza vasikana ndiani. Vakazotaura nezve ma twins kusvika
vasvika kumba Joze aingoti vasikana aida mai Nyevero vasaita stress yekuti ko
vakazvara vasikana zvekare kwaari aiti mwana chipo kubva kuna mwari.

Takanga takagara takangoisa meso ku gate kuti ko vanhu vati vanodzoka izvozvi
vachiri kupi.
"Nyevero vana mhamha vauya." Akadaro Rue aona gate richivhurika takamhanya
kunomiririra pa mota.

Amai vakaburuka vachinyemwerera zvandakatoshayawo kuti zvairevei.

"Mom hanziii kwa doctor?" Takabvunzirana pamwe na Rue.

"Come here my angels i have good news for you, mom is going to give you other 2
siblings soon to play with saka tsvakai mazita ekupa vanin'ina venyu." Vakadaro
amai ndakabva ndaziva hangu zvazvaireva mhamha vanga vane nhumbu ndakafara
veduwe ndaingoti dai vakaita vakomana.

"Mhamha saka vana vacho mavasiya kupi? Mutitengere bhudhi mhamha


handitika?" Akadaro musikana wekungwara ko aizivaka kuti vana vanotengwa ko
ndozvatakakura tichiudzwazve, amai vakandipa sign yekuti tora tuvanhu twako
munotamba. Ndakatorana navenin'ina vangu mhamha na uncle vakaenda ku
bedroom
kwavo.

Musi uyu takanodya out uncle vaive mudenga rekupedzisira nemufaro kana amai
vaifara that's all I ever wanted to live a happy life with my parents chero hazvo
vedu baba vaive vazvitadza.

Rambwai akanga achizopikawo zvino asi nyaya dzaionekwa kuti munhu murwere
uyu. Ugoona vamwe vaimwa iwo mapiritsi aya waiti ukasaudzwa kuti anorwara
hawaimboziva. Asi bhudhi Rambwai hameno kuti vanga varambwa nemapiritsi
here kana kuti. Rambwai akaudzwa aizobuda zvake muchipatara weekend oenda
kumba asi akakurudzirwa kudya nekumwa mapiritsi ake zvakanaka.

Takazoenda kumusha weekend yakateera takamukira zvekuita ne speed ya uncle


takatosvikomwa tea nana gogo. Takasvikira kwa gogo Mapako kwakuzoenda
kwana uncle asi isu takasiya mbatya dzedu kwa gogo sezvo kuriko kwataive tauya
ku holiday.

Takutosvika pa gate pana uncle takaona baba nemukadzi wavo vachinanaidzana,


ndakanzwa tsitsi sezvinei uncle vakabva vasvikomisa mota yavo padivi pavo
chaipo.

"Nyevero dzakai muratidze dady ma report nekuvamhoresa." Vakadaro uncle.


Takadzaka kwakunovamhoresa nekuvaratidza ma report aya.
"Baba pindai kumota tiende kunotenga vana Two na mhamha." Akadaro Nama
yakabva yagamwa na sisi vekugwarisa ndaive ndazovaudza kuti mhamha vane
nhumbu.

"Aiwa Nama vana Two vari mudumbu ma mhamha vachauya manje manje vana
bhudhi vedu." Akadaro Rue achitodzokera mumota. Ndakaona face yababa yaita
kupusa ndakaziva vabatikana wesi pakabuda amai mumota vachirutsa baba
vakangoridza tsamwa kwakutanga kufambisa vachienda. Zvakandinetsa kuti ko
munhu anga achinanaidzwa akufamba kudaro indava.

Takapinda mumota na Nama amai vakazopindawo vapedza mota ikateneswa


yopinda mu gate.
Takatambirwa nemufaro mukuru kwazvo. Kuzoti pavakaudzwa nezvana Two
vakatomuka tomuka nomufaro sekuru nagogo Matsvai kana kumbonyara muroora
wavo vakarova jaivhi zvavo.

Isu tichipedza kukwazisa vanhu hatina kunyanyogara takabva taenda kunotamba


panze ne team yangu amai nevamwe vakasara vachiita havo nyaya mumba
yekutandarira. Taive takadzidziswa kuti vanhu vakuru havateerwi vachitaura
ndopaunozotaura zvisina basa pauya vaenzi.

Ndaive ndakapfeka dress re white ndakanzwa kunyorova pandakatendeuka kudai


wanike ndakazara ropa ndakarova bara ndaka........!

END OF CHAPTER 51

NEXT CHAPTER SOON

LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES

HAPPY READING .......LOVE YOU ALL!!

You might also like