Professional Documents
Culture Documents
NYEVERO-2
NYEVERO-2
Chapter 1
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Ini ndinonzi Nyevero Mabika. Ndiri mwana wedangwe wababa namai Mabika.
Anonditevera anonzi Ruregerero achiteverwa na Namatirai. Takazvarwa tiri 3 girls
only in our family. Mai vangu vanga vatadzawo kuita mwana mukomana mbereko
ichibva yaguma.
Well my mom vanga vaita musindo wekuroorwa na dad vangu vabereki vavo
varamba, bcz at that time kwaiva ne nhamo kumba kwana dady vangu.
Apa vakabva vatizira dad vachisiira zvidzidzo panzira she was in forn 3
pavakatizira and their parents did not bless or accept their marriage.
Ukuwo vabereki va dad vaisada moms yangu bcz vakanga vaine wavaidawo kuti
aite muroora wavo. Complicated hanty?
Chapter 2
Mari yechikoro chaiyo vanga vasisatipa vaiti wakazvara pfambi dzega dzega saka
vaiti vari kutsvaga anovaitira mwana mukomana.
Vakauya amai vakanamata nesu. "Baba vedu varikumusoro kudenga zita renyu
ngarikudzwe kuda kwenyu ngakuitwe panyika sekudenga. Baba chengetedzaiwo
vana vangu pavachabuda vachienda kuchikoro, itai vawanikwe vachanzwisisa
zvavanodzidziswa pazuva ranhasi muva chengetedze pavachaswera nekudzoka
vadzoke pano vari vatano. Amen".
Takapa amai vedu a good bye kisses takumhanya hedu kuenda kuchikoro apa
kwaive kure kuchikoro kwacho. Kuchikoro kwedu taifamba 5km kubva pamba
pedu.
Ndaiziveko kuti...
End of part 2
Chapter 3
Akatarisa tarisa kuona kuti hapana aimuona here akabva aona pasina. Akapinda
zvake kwakutanga kuturura mango achikanda pasi.
Vamutema vaitobva havo kumusangano wemajapata kwakungonzwa bu- bu -bu -
bu mu gadheni mavo. Vakashaya kuti aive ani aitanha mango nekuti mukadzi
wavo aive asipo.
"Iwe!!, Urikuitei mumuti mangu? Zvakare ndiwe ani?". Avo ndi vaMutema
vaidaro pavakasvika pasi pemumango wavo. Ruregerero akavhunduka pamwe
nekutya. Ruregerero anozama kuda kuti asvetuke asi bazi raaive akatsika rinobva
rati pwaaa kutyoka.
Hameno kuti aive azviitirei chero kumba kwaive kusisina mango nekuti taingova
nemuti wemumango mumwe chete saka wakanga wapera.
Haisiyo reason yekuti munhu anga noba shuwa.
VaMutema vakaisa mango dzese dzaive dzatemhwa na Rue mu paper bag rikazara.
Kkkkk ah it was funny ndakati asi Rue akumbira mango? Aaah regai vasvike
ndinzwe. Pandakaoma Rue achichema ndakabva ndatoziva kuti "something is
wrong somewhere".
"Ndawana chipuka chamai vako ichi chichiba mango mugadheni mangu, uye ati
ndiwe wamutuma".
Rue aive atiparira chokwadi ndaimboti mwari asi mwana uyu hasi wamai vangu
kani?
Nekuti humhu hwake hameno aive kuti akatodza ani chaizvo.
"Fambai tione ndoda kunoona mai venyu vandiripe mango dzangu idzi
dzakurunurwa nemhuka yekumba kwenyu iyi".
Ndakapiwa bepa riya ranga rakazara mango riya kuti ndibate evidence yekuti taba.
Imi woye zvakaoma.
Takatanga hedu kufamba apa Rue aingochema. Ruoko rwake rwanga
rwachizvimba zvino.
Ndakanga ndakumunzwira tsitsi mwana wamai vangu uyu chero hake aive
akanganisa. Asi aive akuvara zvkanyanya.
VaMutema havana kana kuita hanya nazvo. Vakaramba vakaomesa gotsi kunanga
kumba kwedu. Nechemumoyo ndakangoti baba ava ndosaka vasina mwana nekuti
utsinye hwavo hwakanga hwakaoma.
Takasvika pamba pacho pasina munhu amai ndakatoziva kuti vainge vaenda
kwambuya kunotora mombe yedu imwe chete ne dhongi nekuti ndokwaive
nedanga.
Isu taive ticharivakirwa nani hedu baba vaive vava mombe yemashanga.
"Kwakanaka????"
Mai vakabvunza vachishamisika ndakangoti,
"Eeeh mhamha mhanyai, chindipai mombe ndotera nadzo na Namatirai".
End of chapter 3
Chapter 4
Ndakati kuna Namatirai mhanya kumba, apa ndaida kunosiya mombe kugandiwa
rataiva tisina kurima kuti dzifure zvadzo imomo. Ko isu tairima minda mishoma ka
nenyaya yekuti taive vakadzi chete.
Ndaigarodemba-demba kuti dai ndakaitwa hangu mukomana taisazombotambura
zvakanyanya kudai. Ndaizoitawo mabasa echi boys boys, pamwe na baba dai
vasina kumbotirasa kudai hanty chavaida mwana mukomana?
"Iwe Nyevero! Huya panopa, famba tione unondishurira here nhai mwana wa
Rambwai"?
Ndi amai avo vaita kukarara nehasha. Ndakatoziva kuti hapana kumira mushe.
Kkkkk aah kuseka nhamo serugare. Ndakangoti hooo nekuti ndatadza ndakunzi
mwana wa Rambwai ndikagona ndava wavo hooo nhai.
Rambwai was my father's name instead yekuti varambwe sezita ravo
ndovakatatotiramba.
"Unopenga here iwe Nyevero? Ndokuuraya ini! Wanga uchituma mwana kunoba
mango wanga uine nzara? Hauna kutaura mbuva hee?" Vakange vopenga
Chihelele.
Ndakaona kuti mai vangu vatsamwa sure ndakatarisa Ruregerero ndakanzwa hasha
kuti sure sure nekuda kwekukara andipinza munyatwa yese iyi.
Asi pandakaona ruoko rwake uku achichururuka misodzi ndakabva ndanzwa tsitsi.
Ndakazongokwanisa kuti,
"Ambuya handina kuuya pano kuzoona firimu iri. Makundipedzera nguva yangu
pano dakuenda ini" ndivaMutema avo.
"Yoweeee!!!"
Ndakakarika ndadedzera, ndakangoti baba ava havatinzwiriwo tsitsi here?
Aaah kana idzo mango dzaiva mumuti wavo wese dzaimbosvika $20 vaive votoda
kupfuma nesu.
Iyyy kana ndimiwo baba ava moyo waive wakaoma kunge dombo chairo.
Taka.....
Chapter 5
Takanga tachigara zvino takati kwangwa nzeve sedzetsuro apa kukura kwadzo,
nzeve dzacho.
Ndakamhanya kunochingura amai vangu uku moyo uchiita kupisa neshungu kuti
shuwa shuwa baba dai vaitisapotawo pasina zvese izvi.
Takasvikogara parukukwe paseri pehozi paive pane mumvuri sezvo zuva raive
rorova nhongonya.
Amai vakati vaudzawo baba nezve kurapisa Rue asi vaitoita sevakapakira zvimiti
munzeve zvavo. Ivo marwei hanzi vakagoti kutuka mai kuti ibva pano
wakarambwa kare na Rambwai akuda inini ndinomuzvarira mukomana. Kkkkk
sure dai ndaizombosangana navo mai ivavo ndaivabvunza mubvunzo wekuti
'muripiko?' Seka urema wafa hama wee!!
Ndozvakarwadza amai kusvika vazouya kumba vachichema.
Vaive vapererwa nezano uku vakuti saka mwana otokura ari chirema?
Ndichinzwa izvi ndakaita hasha zvokuti ndakamboda kuvavinga ivo baba
kwambuyako, asi ndakazvidzora ndikati mubereki mubereki, vachazoyeuka bako
vanaiwa havo.
Tambudzai was my mom's name aaah kutambudzwa chaiko sezita ravo mazita
atopa vana aya aiwa mamwe bodo anotsimbirira vana.
"You have insufficient credit to make this call please recharge to make this call".
"Mhamha muchiona ndauya kudai tanyimwa mari kwa mbuya uko saka hatina
hana $ zvaro kumba uku. Rue akungochema asi chekuita tashaya.
Ndandichikumbirawo kana muchikwanisa kusanondipawo $5 pamari yendima
ikuda kuzosakurwa iya. Ndotouya ndotanga kusakura nhasi zuva rodoka".
"Mhamha mwari ngaakuwedzerei pamatapudza uye musaitire isu chete asi neavo
vanotamburawo sesuwo".
Ndakapinda mumota muya Showman uya aive akutodhuruma kuti tinde. Apa raiva
rino hofori yezirume dema dema iwo mazibvunzi maiwe ungati mufushwa
wepanhamo aaah aityisa kutarisa, ndakangoti chero taenda.
Ndakangoti hameno vanonogezawo mberi kumba kwa mai vavo handiti kwaive
kwaMurambinda ikoko. Ndaizivei kuti mberi kwacho makwikwi.
Ndakaisa Namatirai kumusana uyo aive akuchemera mai. Apa ndoyaive 1st time
kuzorara tega pamba ndaitotya kuti dai kwarega kusviba.
Mombe dzaka..........
Chapter 6
Pandakati ndinotora mombe dzandaive ndichifudza ndichienda kunopfigira,
mombe dzikati wakandiisepi nhaiwe chimhandara?
Ndakachiti tuzu ndakadaro kunge muroi ayedzerwa akunyara nyara kuti opinda
pai. Ndakashaya kuti asi dzabiwa kani mombe idzi? Dzaendepi chaizvo?"
Ndakarohwa nehana, yaiita kuti, dhi- dhi- dhi -dhi , kunge madhongi akutiza
mapere.
Ndakatanga kubvunda zvino kunge rutsanga ruri mumvura, uku madhende angu
aive anyorova hameno ndanga ndatozviitira nenguvai ipapa.
Iko kutya kurohwa kwandaiita? Uhmmm but to my surprise ndaisachema
ndikazorohwa kwacho.
Sezvineiwo Showman ndiye vhuu nekarori akubva kunosiya vana mai, anga apiwa
kanyama ke $ na amai kuti tigobikisa manheru aya.
Vasabhuku vaya vakazoudzwa na Show uya kuti chokwadi mai Nyevero havapo,
vari kwaMurambinda na Rue.
Chokwadi mombe imwe chete kunzi mombe dzenyu? Inga zvakaoma chokwadi .
"Ehoi ndovaudza kana vadzoka".
Asi mwari vaiona havo ndovanoziva. Nekuti chataive takatadza isu hapana hatina
kumbo applier kuuya panyika isu. Vabereki idai vana venyu chero mukomana or
musikana nekuti zvipo zvinobva kuna mwari.
Ndakawana vasipo ndakaratidzwa ndima yedu na Showman asi aiti vanga vati
ndozouya mai vadzoka.
Pamwe vaive vonzwawo tsitsi hameno. Ndakangoti ndipei badza mukoma Show,
mhamha ndozovaona mangwama kuseni.
Amai Nyevero sezvo kumba kwavo paive pedo nechipatara vakati chiregai ndorara
kumba ndozodzoka mangwama ku visiting ye kuseni.
End of part 6
Nyevero
Chapter 7
"You fool , what are you doing here? Get out of my compound!!. You are not
welcomed here please".
Baba na mai vavo vaive vanhu vaive nemari apa vanga vapamudyandigere zvavo.
Vanga vakudya penjeni yehuticha vese murume nemukadzi.
Pamba pambuya vangu hapana chaishaikwa, asi mwana wavo Tambudzai uyu
uhmmm vaive vamurasa zvechokwadi.
Kkkkkkk ndakambovati 'asi nhai mhamha gogo na sekuru havasi vabereki venyu?'
"Tambudzai get out of here please before I loose my temper. You are not my
daughter anywhere so........!"
"Mwanangu Tambudzai, ini na mai vako ava takaita 5years tisina mwana, saka
pressure yakanga yakuwanda kubva kuvabereki vangu. Vakanga vakuti ndirambe
mai vako ava.
Saka takaita fake pregnent kwakuzono adopter iwe pakakwana 9month. Saka
mwanangu waiona mai vako vaikusarura nekuti you are not her bilogical daughter.
Ruvengo newe vakatanga pavakaita nhumbu yaJustin (ba Kupa)".
Mai Nyevero vachinzwa mashoko aya vakatanga kusvimha misodzi, asi hazvina
zvazvaichachinja.
"Saka nhai baba where are my bilogical parents?" Mai Nyevero vakabvunza
misodzi iri mokoto mokoto .
Mai Nyevero vachinzwa kuti vakaita kunhongwa misodzi yavo yakawedzera. Saka
was this her destiny ?.
"Your father your father my foot!!. Chibva pano Tambudzai handiti wanzwa
chokwadi usauya pano zvakare".
Mai Nyevero vakatora plastic bag ravo raive nema card aRue nembatya
dzekuchinja. Vakaoneka baba na mai vavo vakavatenda nepavakavabatsira napo
kubva pavakavatora ku orphanage. Vakatanga kufamba havo vobuda gedhi.
Apa kwaive kwakusviba, zvino vainangepi?. Mbuya yaive nemoyo wakasviba
kunge pasi pehari yabikirwa nhopi iyi.
Nxaa chavaitorera amai vangu kuorphanage chii? Kana vaiziva kuti vanozotadza
kuvabata zvakanaka vakadiii kuvasiyako. Pamwe dai vakatozotorwa nemunhu ane
rudo , who knows pamwe dai titoriwo neupenyu hwakanaka kutaura kuno.
Ndaiti chero bete rikadonha hana yaitorohwa nehana. Hope hadzina kubata
zvekumhanya nekutya, uku sisi Namatirai vaive vakutoridza magwiriri zvavo.
Kuita mwana mudiki kwakanaka veduwee.
Nxaa ndakabva ndatoziva kuti ndi baba zvavo ava vaive vauya vakuda zvevakuru.
Ndozvavaiita kana vauya negerofurendi, ko mai vangu vaigodiii? Semunhu aidawo
murume wake, uye vaifunga pamwe vangangozoitawo pamuviri vakaita mwana
mukomana.
Ko idzo nyadzi ayaya, pavakaona kuti havasi mai vavhura gonhi ndofunga vaiti
pasi ndimedze nekunyara. Vana baba musadaro vana venyu kunze uko Kkkkkkk
musandituka henyu variko vana baba vakaita sababa Nyevero!.
"Aaah ko mai vako varipi? Vakuita zvezvikomba nhai? Vaenda kupi na 11 dzino?
Huh!!".
Dai vaisava baba vangu ndaivavhara neseri kweruoko. Vaifunga kuti handisi
kuziva zvavakanga vaita mai masikati?
Heya mai vangu pavanhu havavadi asi kuvavinga vanhu varara hoo nhai?
"Eeh!".
Ndakapindura ndakatodhinhiwa zvangu .
Pakarepo ndiye...............
End of chapter 7
Chapter 8
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Sezvo mai Nyevero vakanga vabirwa ,vanga vasina kuzokwanisa kuwedzera moto
mu nharembozha yavo.
Ngationei kuti mai Nyevero vakabirwa sei ? Kupi, uye nani?
Pavakatakurwa na baba vaya vaifunga kuti inyasha dzavaitirwa, izvo aiwa baba
ava vaitovewo ne plan yavowo.
Baba ava pavaka takura mai Nyevero vaitofara kuti nhasi ndozvibaya ndega.
"Moitwa ani nhai sistreni?. Ini ndoitwa baba Mark, asi vanondidaidza vachiti bla
Lodza". Kakadaro kachibvunza kamudhara kaya.
"Aaaaah musatya henyu kana muchida kumba kwangu kune kamuri isina munhu,
mogona kunorara henyu imomo momukoenda zvenyu.
Kana kuti morara nemwanasikana wangu mukamuri make. Hameno kuda
kuchipatara ndiko kumba kwenyu".
"Hezvoo! Ko vanhu vepano asi pane kwavaenda? Aah vanhu vandasiya pano
manje manje! Ko vaendepiko?".
Bla Lodza vakanyepera kudzungaira. Dzaive nhema bla Lodza vaigara vega vaive
vatizwa nemukadzi nevana vakaenda nenyaya yekushusha uye meso meso. Saka
vaiita hiring and firing zuva ne zuva (kuroora usiku hwega hwega negupuro
kuseni).
Mai Nyevero vakaona kuti vakaita dzungu havapaponi apa. Saka vakapfavira
ngoma zvavo.
"Morara henyu mukamuri umu sistreni".
Munhu wacho aiti sistreni aayaya varume ka sometimes mofunga seiko imi?
Kkkkk ayas varipo vanofunga sabla Lodza musanditukawo.
Mai Nyevero vakaona kuti pano pashata asi panoda zano rakatosimba kuti
ndipukunyuke.
"$170 ya ya deal!".
"Good"
Vakadaro mai Nyevero, vakabva vati,
Mai Nyevero vanobuda neback door riya , kwakufamba vakati kwati kwati
nemadziro kusvika vasvika pagedhi.
Pavakada kubata gedhi kuti vabude rakarira alarm yakaita kuti bla Lodza vabude
panze.
Achingoti ngori kumba mai Nyevero vakasara vakaita kukwira mumuti muya kuti
vagowana kujambira panze nekuti duraho raisakwirika.
Vakatanga vakanda plastic panze kwakuzojamba zvakaita nani paive ne loan dai
paive pasina dai vakatyoka gumbo.
Shasha Lodza payakabva panze yakabva yananga ku room kuya, wanike hamuna
munhu kunoti mu bathroom wanike hamuna kana kutombogezerwa .
Yakambotsvaka tsvaka asi haina chayakawana it was too late.
Mai Nyevero vakabva vaita chahwiriri chaicho, vakazotanga kufamba vakwana
Chari night club kuya kudhuze ne gedhi rechipatara. Vaiti vakaona mota ichiuya
kumashure vobva vapinda musango.
Pavanga voda kusvika pa gedhi rechipatara ndiye dhuma dhuma nana mbavha,
vakahwengezurirwa ka plastic bag kaya. Ka change kaive kasara pa $15 iya
kakaenda ndomaive ne charger saka vasina kuzochaja nharembozha yavo.
Nharembozha ndoyega yavakasara nayo nehembe dzaive pamuuri nekuti yaive
muhomwe.
Baba pavakanzwa fon ya mai yadzima vakangoisa mari incase panoitawo mai fon
moto vaizoona mari , vakaisa $20.60 kuti mai vagotora $20 yakakwana.
Vakati vaizotipa mari ye schools fees yaive yasara mu wallet kwambuya . Zvino
naNamarwei yaizobuda?
"Mhamha ndauya ndati nditange ndauya kukuonai sezvo mukoma Show vakati
moda kundiona ndisati ndatanga".
"Ehh, Nyevero mwanangu moyo wangu ukundirambira kuti usakurire mari iya
yandakakupai, saka musasakura zvenyu mwanangu.
Uye pane bag randoda kukupa rine mbatya dzaipfekwa na Melinda".
Ndakangoti mwari kudzwai, uye wedzerai mai ava rambai muchivapa nekuti
vanorangarirawo vasina. Vamwe vanhu anotopisa madhende ake than kupa
mumwe munhu .
Pavakapedza kudya vakunotora bag riya ndakavati vandipe ma plates ndosuka
hangu.
Ndakapiwa neyanga yakanzi sunlight liquid yegreen soo, kuti ndisukise. Ko
ndaiizivirepi, ndakanga ndisati ndamboishandisa ndiye dhu-dhu-dhu-dhu yese
mudish rekusukira apa yaive yakazara.
Ndakapinda busy sipo isisapera pama plates imii. Pakazouya mai Noku vachindipa
poto yaida kusukwa ndopavakaona mashura, kagubhu ke sunlight kaya
kakangunduruka.
End of chapter 8
https://m.facebook.com/Aka-Heather-stories-1748141092139907/
Nyevero
Chapter 9
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Takasvika kwambuya tikawana haikona , mbuya namarwei vachitukirira baba
kuitwa kamwana kadiki chaiko mongonzwa imi .
Ndakatombomira pamadziro kuda kuteerera, kkkkkk aaah vedu sisi Nama manje
ayas,
"Nyeveyo iwe fambaaaa!"
Kkkk aaah kuzodeedzwera kani.
Ndakanyepera kuita sendabaiwa,
"Kana washaya zvekuita nemari Rambwai, ndipe ndotenga shuka ndimwe zvangu
svutugadzike. Kwete kutambisa mari pamazidofo aya! Pfambi dzakazvarwa na
Tambudzai idzi aiwa kana kuti vana vako chaivo ivava? Imbozvitsvaga
mwanangu".
Mbuya vaive neutsinye kani, sekuru hapana chavaiziva nekuti kana grocery
vaitotumira neredu asi mbuya vairisakurisa zvavo.
Ndakutoda kupfuurira kudanga kunotora mombe ndopandakanzwa,
"Iwe pfambi iwe huya panopaa!".
Kkkk ayas ndakamboda kuseka zvangu, pfambi ini manje ko gerefurendi remwana
wavo tozomutii?
Ndakatendeuka zvangu kwakuenda pavaive vakagara.
"Yaaaa!! Kasika kutora ma plates ese ari mumba umo usuke achene zvekuchena
zviya. Wanzwa?"
"Handina mwanangu".
Apa vaitaura ne confidence zvekuti dai baba Nyevero vasina kuzoisa mari hamemo
paibuda chakanaka here.
Musikana uya akatarisa mai Nyevero kubva kutsoka kusvika kumusoro,
akadzungudza musoro akatambira foni iya akaisa pa charger .
"Zvakanakai amai".
Pa ecocash apa pane anga asiyawo kafoni seka mai Nyeve, paakadzoka
akasvikobhadhara muripo wekuchagirwa akatambidzwa ka foni kake.
Musikana wemu ecocash uya haana kuona kuti atambidza munhu foni isiri yake.
Infact she swap neya mai Nyevero. Uyu mukomana akapiwa akatomhanya
kunokwira comb yaienda Harare , yanga yatosara munhu one kuti isimuke. Comb
yakabva yarova past yakananga Harare via Hwedza.
"Ndine urombo mhamha mukomana anga asiya foni pano wacho aenda neyenyu
handitomuzivi,,anga achiti akuenda ku Harare".
"Harare? Yowe nhai mwari huyai mundinzwirewo mashura aya . Saka Harare ko
ichadzoka nani?"
Dai musikana uyu aiziva nhamo yaive namai Nyevero aisambotaura zveku Chivhu.
Vaiwanepi mari ye comb? Kufambira line ivo vasina ye school fees yevana.
Uya wekutora foni ya mai Nyevero achisiya yake pakaita on foni makabva
mapinda ecocash message ,semunhu aive we business akatarisa kwaive kwabva
mari akaona zita rasingazive . Akatarisa balance wanike $20.61 , akarohwa nehana
nekuti mu foni make maive ne $3000.
Akamhanyira kuma contacts.
Mutyairi achinzwa zve 5 mari akatokonesa comb chop chop, yaive ichiri padhuze
zvayo yanga yapaMukondimi turn off paya.
"Aah madzoka amai vandapa foni yenyu vatobva pano izvozvi regai
ndivamhanyire".
Pote mai Nyevero vanga votodzikisira nekwa Nice time vachienda kana
chavakanzwa zvavo, vaitowedzera speed .
Vachisvika pa ecocash vachiti baa uya ainzi mukomana aenda ne foni she get the
shock of her life .
"Tambudzai! Urisei ko chii chiri kuitika why are you in this condition?"
Munhu ainzi mukomana uyu aive akadzidza grade 1 to 7 pamwe na mai Nyevero
pa Muramhunda B primary school. Vakazoparadzana Joseph akuenda ku boarding
form 1 .
Vaviri ava vakafara kuonana asi papasisina nguva yekukurukura sezvo uyo aive
akamirirwa ne comb . Akaburitsa $50 akapa mai Nyevero .
Kana number havana kupanana akabva amhanya kwa kuenda comb yaive
yongopipidza bhero.
Mai Nyevero vakati mwari kudzwai . Vakazoita cash out pakarepo. Musikana uya
kuzombovabvubza 50c yekuchagisa foni ,vakamutenda vakatenda zvavo.
Semunhu anga apiwa imwe $50 vakazosara ne 30$ ndokuzotenga sadza rekunodya
naRue.
End of part 9
Aizivei kutiii Nyevero?
Mai Nyeve vachanonzii na sabhuku zvavadzoka?
To be ad
Nyevero
Chapter 10
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
"Nyarara zvako ndakanzwa mbiri yako yekunyepa iwee. Manje ini handitambwi
neni mangwana ndikuuya kumba kwenyu ikoko".
Nxa baba ava handina kuzombo wesita energy yangu kupindura munhu akadai.
Ndakatonhonga step yekusvotwa ndakarova pasi.
"Rue ave nani uyu hanzi aive aminyuka chete. Ko imi makasara zvakanaka here
vasikana vangu? Maisatya here? Vaisanetsa here tete Nama?".
Nama aive nezita ra tete saka vaimuti tete.
"Takasara zvakanaka amai, taitya kurara tega asi baba vakarara kuno".
"Huh!! Baba vako chaivo? Kutorarawo panopa? Hoo inga mashura chaiwo, asi
ndosaka vakazondiisira mari pa ecocash?"
Aiwa musi uyu ndainzwa kuti ndageza, kana mhepo yaipinda kuratidza kuti tsvina
yabva kkkkkk.
Uku ndandakutya kuti ivo sisi Nama dai vakasatura zvavasina kubvunzwa, nekuti
aive bvotomu chaiye.
Takatanga zvedu kuriona sadza musi uyu dai raitaura haaaa hameno. Ndakapotsa
ndadzipwa nemusuva wesadza. Nama kaive kakudedzera zvako,
"Mama, mama tasangana na shabhuku waya waya hanzi. .....".
Ndakakasira kuvhara ma one aive oda kuitwa na sisi ava. Zvemusangano ndaive
ndangozvinzwawo kumombe kwatakaswera.
Uyo waive mutemo wataive tapiwa kuti munhu hataure achitsenga. Kkkkkk
ndopaunozona munhu akutsenga kunge dhongi ririkudya mashamba.
Ndakanotora bag riya ne grocery racho, amai vaive vasina kumbozviona nekuti
ndaive ndazvifukidza nejira kuti chero mukapinda munhu asatibire.
"Surprise surprise!!!"
"Amai takapiwa zvinhu izvi namai Nokutenda, uye vakati mari iya shandisai
zvenyu".
"Iyyy inga vaita zvavo ndichatopfura neko Monday kuseni ndakuenda kumhiri
kwavaMutema uko".
"Kwakanaka? Ko vanodeizve?"
Kkkkkk aah amai wo futi vakanga vanzwa nani kuti ndaida kuti mumunda?
Takati takuda kutobuda sabhuku ndiye vhuu paruvanze. Aaaah baba ava ne Sunday
wo here veduwe?
"Wainyepa ka iwe?".
"Ndamuka ndakamira".
Kkkkkk ayaya ndakada kuseka zvangu nhamo serugare. Aaaah munhu wasabhuku
anoita hunhu hwakadai?
Takazo ................
End of chapter 10
Nyevero
Chapter 11
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Takazobisa hembe dziya kwakutogara zvedu, taive tichaenda nekupiko kuchurch
kwacho? Naiwo mashura ataive taitirwa aya.
Joseph wekupa $50 mai Nyeve aiva akambovapfimba iri holiday adzoka ku
boarding kwaaidzidza. Asi vairamba semunhu aidanana naRambwai .
Akaatora mwedzi 6 achipfimba ainyora tsamba ari kuchikoro kwake asi
zvakaramba zvachose.
Ko makare gore raigona kupera munhu asati adiwa zvasiyana nemakore ano ekuti
kana mukombi makwira mese munogona kudzika mese matodanana, kana
kutoonana parank motopfimbana wotobvuma nekutoenda kusleep over. Ndo
chirungu chacho here nhai askana woyee?
Kombi yakati yarohwa akabva afunga kuti dai atora foni number dza Tambu. Anga
asingazive kuti Tambu akaroorwa. Joseph akanga amboroora akaramba mukadzi
aita gumbo mumba gumbo panze.
Asi apa akafara kusangana nemunhu waaida, akarwadziwa kuti ko Tambu
condition yaanga ari chii chaizvo chikuitika?
Akagaya akati ndichamubvunza hangu. But how ? Number anga asina kupiwaka
uyu, and it was too late kombi yanga yatoenda asi mumoyo aingoti ndodziwana sei
number dzacho?
Zano rakazouya atodzika kombi akati avaona vachitora mari muecocash saka
akabva agaya kuzoenda kuecocash iya opiwa number, sezvo aigara achiuya
maMurambinda ne business rake.
Aingonamata kuti dai musikana wemu Ecocash akadaro anyora muchi book chake
muya.
Joseph aive business man uye aive nemari pachokwadi. Aigara kuMandara , apa
aive auya neka Honda stream pese paaiuyira kumusha aiuya nemota yemhanga
mhanga kurasisa zvake vavengi.
"Iweee! Kasira kuvhara hozi yangu ubve ipapo unochemera kusango uko".
Mai vaive nemoyo wesimbi ivava. Chavaitivengerawo nesu vana chii? Tisu
takavatadzira here isu?
Ngationei kuti chii chaizvo chakaita kuti mombe isvike pakuuraiwa na Rambwai ?
Baba Nyevero zvavakanorara kwa mai Nyeve musi uya, pavakadzoka yakaita
hondo world war 5 chaiyo. Sisi dhori vaive vakatsama haikona kutaura kuita datya
chairo . Baba Nyeve vakatukwa vakanzi wotondiripa kana uchida ndizvare mwana
mukomana ari mudumbu umu ari mupenyu .
Mombe iyi baba vanga vakaitenga vachiri kuwirirana na amai , ikabereka vakatora
mwana wacho vakatengesa apa vouraya futi mai vacho zvakaoma. Apa ko
kutipawo nyama yacho sezvo tirisu hedu taifudza? Mwari ndovanoziva havo
vanenge vachiona vari kudenga uko.
Ndichisvika pamba ndakawana paina Nama na Rue chete. "Ko mombe iripi nhai
Nyeve?"
Ndi Rue akandibvunza.
"Yaenda na mukoma Sean kumakura uko saka ndatozouya zvangu ne dhongi kuno.
Ko amai varipiko?"
Ndakazonzi amai vaive vaenda kwa mai Nokutenda. Ndofunga vanga vanotenda
zvavaive vatitira. Ndakaisa dhongi pataiona ndikadzoka ndikagara zvangu
pamumvuri asi mufaro chaiwo ndakanga ndisina zvachose. Nama aida kutamba
neni asi akatoona kuti chakachaya sisi havasi mumood yacho .
Hana yavo yairova zvekuti asi vakashaya kuziva kuti chingava chii? Vakazongoti
pamwe kungorovawo hako kwehana vakazvibisa mupfungwa dzavo.
"Mo -mo- mombe yauraiwa na baba vakatakura nyama imwe vasiira ambuya".
Amai!! Amai !!
Ndakamhanya paive pana amai vangu , ndakavazunza zunza aah kana kana
kutaura. Kuti ndivasimudze ndakatadza ndakapererwa ndikati amai vangu asi
vafa?
Nama naRue vakauyawo tikaunganira amai vedu misodzi yongoerera.
Ndaka........
End of chapter 11
To be added in WhatsApp grup inbox number above
Nyevero
Chapter 12
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
"Mhamha mai Sharo mhanyai mhanyai handei moona zvaita amai kumba uko".
Handina kana nekuvamhoresa, kana asahwira vangu handina kana kutaura navo.
Avawo mhamha mai Sharon havana kuzomboda kubvunza zvakawanda,
vakangotiwo tsoka ndibereke vakananga kumba kwedu.
Chokwadi kunzi sara nevana munhu anewo 12 years? Handiti ndaitovewo mwana
nhai? Zvichikonzerwa naivo baba nekushaya musoro kwavo.
Vana baba kunze uko musarwadzisa mhuri dzenyu kusvika pakadai veduwee, vana
vanokura vaine ruvengo nemi uye ivo vano affectika life yavo.
"It's not time to cry my child pray, pray for your mothers well being ".
Ndakambovhunduka kuti ko cha chiizve? Ndiani akutaura neni? Ko aziva sei kuti
mai varikurwara? Aaaah!
Pakarepo ndakati Rue na Nama huyai tibatane maoko tinamatire amai.
"Mwari baba vari kumusoro soro kudenga, zita renyu ngarivongwe baba.
Ndauyawo mwari pamberi penyu mwari inzwai kuchema kwedu, mwaro
poresaiwo amai vedu mwari. Takumbira nekutenda kuti zvatakumbira zvaitika.
Amen ".
Zuva rakazosara rovira ndaingoti ngakuvire tirare nditeere amai mangwana, apa
taita kusiririsa kunge tunherera. Ndakati Rue aende ne dhongi kwambuya sezvo
anga akunzwa zviri nani plus dhongi raisanetsa kutinha. Ndakamukomekedza kuti
asatomboti bufu kuna mbuya pane zvaive zvaitika.
Nama akachemerawo kuenda kwa mbuya kuya, ndakati chiendai asi mukasire
kudzoka mowana ndabika. Ndaingodaro zvangu asi Rue nemusikanzwa wake
aitodzoka kwasviba,apa achitoziva hake kuti amai havako.
"Relax mwanangu, your mother she is absolutely fine okey. Hanzi vangoita panic
attack saka BP yabva yakwira, vapiwa bed kuchipatara."
Mai Sharon havana kudakutaura zvakawanda.
"Saka iwe womuka kuseni seni uchigadzirira, toda kuzonobata visit ya 1 masikati
handiti?".
"Okey mhamha maita basa ndomuka usiku hutema chaihwo. May God bless you".
Vakaoneka zvavo vakaenda kumba kwavo vakati Sharon aizouya orara nesu
kuitira agozosara achitamba nana Rue isu takuenda kwaMurambinda.
Ndakafara kunzwa kuti shamwari yangu yaizouya kurara nesu. Ndakatanga zvangu
kubika ndichiimbirira ndakamirira vasahwira nana Rue kuti vauye.
Rue zvakasvika kwa mbuya vake akapfigira dhongi akuda kutodzokera akaona
imbwa dzakamira pa hozi , akatanga adeedza ambuya vake kuti anzwe kana
vaivepo? Hapana akadaira akaziva kuti havapo.
Ndiye nyahwa nyahwa akananga pa hozi paya, vhurei mukova wanike haikoma
mune nyama.
"Hoo ndomune nyama yamanzuma nhai? Manje vakaura ambuya , shasha yaitaura
yega."
Akatora ka demo kaivemo akatema tema nyama akazadza musaga akasiya
yakasara yese akapa imbwa akasiya musio we hozi wakavhurika.
Kedu Nama kaiona hako kakagara, sisi Rue nhamo yakauya pakusenga saga ruoko
ruye rwekuminyuka rukati unonyepa iwe rwakatanga kubanda haikoma. Shasha
ikati handipererwi akamhanya akanotora dhongi mudanga maanga ariisa, kuti
aturike nyama akatadza kutakura zvekare. Shasha yakaridza tsamwa yapererwa
zvino.
"Inyamaa".
Akanga atopedza zvake mwana wachihera.
"Kwambuya".
Kkkkk mwana uyu ayas ndakapererwa ndakatoziva kuti aba nyama iyoyi.
"Saka nhai Rue mbuya vakupai here nyama iyi kana kuti waba zvako???"
"Kubaaa? Mombe hanty ndeyedu here? Ivo ndovavatoba, saka ndatora plus hapana
anombovaudza kuti ndini handiti dhongi tadzoka naro? Tongoti hatina
kumbouyako nezuro vakazotibvunza."
Musi uyu takazorara late takatandara zvedu uku tichidya nyama ye gochi gochi.
Pavari mbuya izvozvi hameno ibatai batai chaiyo.
Avawo mukoma Joseph vaita kushaya hope vachigaya zvaivaive vaona Tambu ari,
nekuti vaiziva kumba kwana Tambu kusiri kwenhamo. Akanetseka kuti saka chii
chaizvo chainetsa? Semunhu akambopfimba Tambu uye anga asina mukadzi akati
ndichatonotsvaka number yaTambu nditaure naye.
Joseph akafonerwa na 3am achinzi amai vake vaive vadonha pama steps ekukwira
mudouble story house yavo, vakanzi vaendeswa kuchipatara kwaMurambinda.
Hana kuzomborara, akabva atoita chipatapata kurongedza hembe dzake kuti abude.
Akatotora Ford Ranger yake mu garage ndiye hutu akananga paMurambinda .
Chero zvedu taive tanonoka kurara ini hope dzakanonoka kuuya, ndichingogaya,
"Saka hope dziya ndomadhaka acho here aya? Ko amai zvavanga vachifanira
kuenda kwasabhuku mangwana, sabhuku vachatiii manje?
Ko isu kuchikoro hatichatoendi? Mari ichabvepi manje apa?
End of chapter 12
Nyevero
Chapter 13
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
"Zvakanakai amai".
Vana sisi vanga vamukawo vakuda kutanga kuita basa. Takutobuda ndakanzwa
bhruu bhruu kuseri kwe kitchen ndakamhanya kunotarisa, wanei dhongi ririko
rakatorara zvaro. Moyo wangu wakaita kunyevenuka, saka hameno imbwa idzi
dzaiwanepi nyama yadzauya kudyira pamba pedu.
Mukadzi uya akati, "wasiya vana vako avo woda vachengetwe nani?"
Amai Nyevero vakanzwa kurwadziwa vachiona vana vavo vachichema asi vaida
kuziva kuti mukadzi uyu ndiani?
"Saka nhai amai where is my father? And where is your family? Ko iko kuno
ndekupi?"
Amai Nyevero vaida kunyatsonzwisisa.
"Tambudzai my daughter go back now before its too late okey? Just know that
your father is alive and you will meet him one day my child.
Go child goooo! !!
"Not yet my dear but soon, munhu akakunzai pano akati achadzoka nhasi nevana
venyu. So for now just rest okey?".
Akabva afunga hake kumboenda kumba ozodzoka kuma 1 kwacho. Pfungwa iya
yekunotsvaka number ya Tambudzai yakauya, imwe ikati iwe imboita zvamai vari
kurwarwa. Asi handiti ndongopiwa number ndoenda hangu? Ndozofona umwe
musi? Shasha yaizvitongesa yega , akazorovera moyo padombo ndiye konese mota
akananga ku ecocash kuya.
"Hadzvadzi muri right here? Muchiri kundiziva?"
Akadaro Joze asvika pa ecocash paya. Sisi vaya vakambofunga, ndokuzoti pava
paya;
"Ya ndakuzivai ndimi vaya vandakambochinjanisa fon navo mazuva apera ayo
handiti?"
"Anything for you, mukuda kuchagisa futi foni here? Haa nhasi hamubhadhari
zvenyu".
Gogaz yakamuka ine mufaro haikona kutamba. Yakavesa vesa moto kuti inanike
usavi. Yakarohwa nehana payakavhura musio we hozi uyo waive wazovharwa
naSean paakabva kumombe , ichiona musina kana sign ye kuti maimbova
nenyama.
Nyevero
Chapter 14
"IweSean !! "
Vaitodaro vachifugura Sean machira , ko kuri kuwana munhu ari mushwi nhaimi?
Ndochembere dzozonyepa kuti ndarepiwa idzi,
zvazvaiwana ngwarati , nhaka hameno pakadyiwa rinopisa.
"Ambuya pahozi ndakawana pakashama nezuro ndichibva kumombe ". Imbwa
dzaivepo dzichitoratidza kuti dzabva kudya nyama.
Sean akazama kuonesa chembere iyi zvaaive aona .
Apa open truck yaive yarova pasi kare ,chekuita panga pasisina.
Marwei akachema nyama kunge afirwa , akaita seachaenda ku labour nguva isati
yakwana .
Ndokuita kwamwari ikoko, his ways are not our ways and his thoughts are not our
thoughts . Regai bhaibheri rakati ," vengence is for the Lord ". Chokwadi mwari
vanokurwira kani ukavapa hako mukana.
Team rakanga rasara kwa maiNyevero rakanga riri pamushanha zvaro . Sharon
anga atorovha kuchikoro musi uyu . Sisi Rue ruoko rwaive rwusisarwadza zvarwo
,shasha yakatarisa nzira yaibva kwambuya yakaona haikona chembere ichikenhaira
yapamukwidza ichiuya kumba kwavo .
Rue akabva kuseri kwe bedroom kwavaishanhira mushana ari bara akananga ku
kitchen . Akasvika akaita chimbi chimbi kuturura nyama yese pamutariro , ndiye
pfonye pfonye musaga kwakunoisa pasi pemubhedha mu bedroom ma amai vake .
"Nama usaudza mbuya chero chiii wanzwa ". Ukangotaura handikupi nyama nhasi
uye ndokusiya ndakuenda kuna mhamha.
Pasina nguva mbuya iya yanga yadonha pamba pamai Nyevero , yaingoteedza
muhwezva uya wenyama nawo nawo . Nawo ndiye dzitya wasvika pamuti paya
paive nembwa.
"Iwe mai Nyevero !! Kasira kubuda uuye pano , wakatumaka vana vako kutora
nyama yangu ? Manje nhasi unondiona . Vakagotukirira mai Nyevero hapana
chakasara . Chakasara apa chine mudzimu wachowo.
Rue akauya zvake akatosunga face haikona , " amai havapo ambuya mamatiko?"
Akagoti avadenha kuwedzera petrol pamoto chaiko. "Iwe zana repfambi iwe
watadza kutanga wandimhoresa?" .
Rue akaramba zvake ari zii kunge asipo , uku achigaya zvekuvaita .
"Varipiko mai venyu ?" Ndoda kuvagadzirisa umbavha hwavo ihoho , munhu wepi
asina tsika?.
Nxaaaaaa!! Chembere yakaridza tsamwa , iya inoitwa na Ini Edo weku Nigeria iya
. Yakapesanisa makumbo yakananga kumana kwayo asi moyo wavo waiita
kubanda . Vachingoti pote Rue akagoti chikweee kwatsu kuti vanyotsosvotwa, na
Rue vaita mushe zvavo ko asiyanaka na Nyevero ari soft .
Takazosvika paMurambinda kuma past 12 , taifamba hedu pore pore sezvo taida
kuzobata hedu 1. Mhamha mai Sharon vakatenga sadza tikadya , vakatengawo ma
fruits ekuzonopa amai .
Takafamba toenda kuchipatara sezvo 1 yaive yava pedo kuchaya, taida kunogarira
padhuze.
Joseph 1 payaive yakuchaya akapinda mumota make kuti aende kuchipatara , baba
vake vaive vaenda kubasa saka aizosangana navo kuchipatara kwakare.
Ari munzira akafunga kuenda nepa ecocash paya , kuti apiwe number ya Tambu .
"Hadzvadzi mazotii ndadzoka?" Paya ndazobva ndaona anenge boss wenyu asvika
, akataura achinyara nyara Joze kunge jaya riri kupfimba musikana richirambwa.
"Asi imi mungada mai vaya netsvina dziya shuwa zvamuri izvi ?" Idai henyu ini ,
akadaro musikana uya .
Joze akamboita hasha nezvakataurwa izvi , asi akaona kuti akapusa hahwinhi.
"Aiwa hadzvadzi vaya ihama yemukadzi saka ndikuda kutonopa madam number "
.
Musikana uya akambofunga kwakuzoti papaya ," saka mati mondipa marii
ndikakupai number ?" .
Musikana uya achinzwa kuti $50 akapembera , pay yake chaiyo yaivewo 60$ .
Hana kuzotambisa nguva , akamhanya kuvhura book rake pa date raaka saver mai
Nyevero . Hana kumboita nguva anga atowana number iya , akadedzerera Joze .
Iye Joze akaburitsawo $50 sekuwirirana kwavo akatambidza sisi vaya , akatenda
akapinda mumota make ndokuenda .
Akasvika pachipatara kwasara 10min kuti 1 ikwane , akagara hake pamabenji paya
paivewo nanamai Sharon . Achimirira baba vake kuti vagopinda , baba va Joseph
vaive headmaster paMurambinda high school .
Amai vakatenda amai Sharon nerudo rwavaive vaita , "she was a life saver i tell
you".
Amai vakati vaive vanzi vanobuda mangwana masikati saka taizodzoka tovatora .
Nhaka tsoka dzopera nekufamba , visit yakazokwana nguva yekuti tibude ,
ndakambundira amai vangu ndokuvabhabhaisa ivo vakati ndofarisa Rue na Nama,
takabuda hedu ndaive nemufaro mukurusa .
Akanzwa inzwi raive familiar , paakati acheuke aone kuti ndiani ndiye dhuma
dhuma maziso na Tambudzai .
End of chapter 14
Chapter 15
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Joseph akada kudzokera pa bed paive namai Nyevero asi akadzorwa na nurse
vaidzinga vanhu mu ward ,
"Can I see that lady please please ma'am ?"
Akazama kuti adzokere asi nurse vaya vakati nguva yekuona varwere yakwana,
vakufanira kuzorora .
Avawo mai Nyevero vakatoshaya kuti Joseph aiitei mu ward umu? Sezvo
vakamuona ava ku door havana kuziva kuti anga auya kuona mai vake.
Takabva pachipatara ndiye tande ne road yemaChina todzokera kwedu kumba. Dai
paiwanikwawo zvimota veduwee , tsoka dzangu dzaive dzoita kupisa mongonzwa
imi.
"Inga wabata nguva sonny , ndatobva kubuda izvozvi ndandakuda kutogara zvangu
pamushana".
Vakadaro amai vake vachitomumbundira, akabatikana asi papasisina zvekuita .
Akambundirawo amai vake , "zvamai asikana Inga ndobata nguva pese pese wani
amai ?"
Vakaseka zvavo nemwana komana wavo uyu, "nhai Joe mwanangu woda ndife
here ndisati ndaonawo mwana wako? ". Dai izvozvi atori muroora wangu ari
kundipepa apaa!!
Vaitaura sekuseka havo asi vaitorevesa , vaive voda kuonawo mwana wegotwe
ravo.
"Mom just wait and see this time , this time ndikunotora svusvura ndadya chaiyo
amai ". Akapindura achitovhurira mai vake door kuti vagare zvavo vaende .
Zvekuona Tambudzai zvazvakona , akati aizodzoka mangwana kuseni. Akaitsika
mota akananga kumba kwevabereki vake , nyaya dzichitsva hadzo.
"Nyevero iwe nhasi waruzirira yowee,nhasi kana sekuru vaya vekuseri uko vakafa
vaya havana chavakaona.",
"Mmmmm, ambuya kuuya pano ne bag redzungu haikona nhasi kungoti nhasi
vawana ndisina zvangu bhero remanyawi, Ndandichida kuvagadzirisa, kuuya
vachipopota hanzi asi makatora nyama yangu?, Nxaa mbuya vayaka ini havasi
mbuya vangu ini",
"Hehehede ,seka zvako mwana waChihera , aiwa handina zvangu kutora yese
nyama asi yakasara ndakapa imbwa".
Rue akataura senge pwere chaizvo,dai pasina kuzivana ndaitoti pada
anoroya,mashoko ekuti munhu ungatotaurawo pane vanhu iwayo?
Pakangotaurwa zva amai sisi Nama vakabva vatanga kuchemera amai, pakaita basa
kumunyaradza. Rue hameno akaenda naye panze akadzoka anyarara zvake
tikatanga kudya.
"Rue mangwana musazoita musikanzwa handiti? " Handidi kusvika na amai paine
zvimwe pano be a good sister handitika? Shasha yakagutsirira hayo musoro
," asi dhongi ndinovhurira mangwana ".
"Unopenga here iwe Rue woda kuuraya dhongi nenzara? " Ndakadaira nehasha
shuwa kuita ikoko?
"Aiwa kana harimbofi nenzara, Sean vati vanoburitsa ndataura zvangu navo".
Akapindura akatopombonoka ndakati pamwe akurevesa ,chero dai ainyepa Rue
aive chandagwinyira . Aitorevesa aisazomboenda kunorivhurira.
Ndakarongedza hangu nekupa boki sadza tikanorara. Tatorara Nama akatimutsa
kuti takanganwa kunamata. Chokwadi nekuneta ndandatokanganwa ini
kutokububuka pasina prayer, ndopaunozorota uchimhanyiswaka nemapere ipapo.
"Wakuendepizve makuseni ano nhai Sean ?" Wakutoenda kumombe here ? Asi
kune dhibha kani nhasi kwawadai kumukira? "
"Moona zvekuita ambuya ini ndaenda ". Akarodaro akutotakura changani bag yake
Sean .
Handiti vaidadira vana va mai Nyevero nhasi inokuenda kumombe. Apa kuti
varovhe kumusangano zvaisaita vaive leader vaitodiwa kwaNyanzira chaiko
mufambo waivepo wakatooma.
Chembere yakagaya kunokumbira mai Nyevero kuti vasare nemombe , ko handiti
vavasingazivi kuti vakaenda kuchipatara.
Vakakwidza nayo road vakananga kumba kwemwana komana wavo vaiziva kuti
mai Nyevero havarambi kutumwa manje vanga vaigochera pautsi vaisvikoona sisi
Rue.
Ukuwo Joseph haana kurara achifunga Tambudzai, ko aimuziva achinzi
Tambudzai kwete mai nhingi.
"Asi ko kana Tambudzai akaroorwa ndichaita sei?" Ko ndikangorega kuenda
kuchipatara pamwe ane murume wake? Aaah hameno ndongoita sendikutsvaka
someone .Joseph aizvitongesa ari ega, akazorovera moyo kudombo akamuka
akageza mazino kuti amhanye ku visiting yekuseni. Akati aizowana mhinduro yese
yezvaaida kuna Tambudzai .
End of part 15
Chapter 16
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
"My mom was admitted here, vanga vatadza kutsika asi vakumba zvavo. Ko iwe
ukunzwei nhai Tambu? Ndakakuona nezuro but ndakatadza kuzodzoka kukuona pa
visiting yemanheru." Akadaro Joze achitambidza Tambudzai coffee iya.
"I'm patient to listen to anything you will say Tambu , I care about you".
Vakadaro vachitotsveta coffee iya kuti varare. Ndofunga vanga vasvotwa here
nekuti I care about you kwakataurwa na Joze?.
"Whaaaat!!"
Hana zvakataura zvimwe Joze akabva angosimuka kuti abude hake. Achingobva
pa bed paya akadeedzwa nevamwe nurse,
Kunyepedzera kunge vanovada ivo vaida kutuma. Rue akaramba zvake akanyarara
seasina kutovaona , Nama ndiye akamhanya kunomhoresa mbuya. Ko aive mwana
mudiki ka hapana chaainzwisisa asi vakuru ava vavakuziva.
"Nhai Rue asi hausi kundiona? Wakaitwa seiko mwana iwe? Ucharoya kanogara
kakakwindimara kunge kamuroyi."
Akapindura zvake Nama ko aiudzwaka nana sisi kuti amai vanotenga chingwa. Ko
kuzoti mangwana achida kuti nezuro.
Ambuya vakaona kuti vakada kuita hasha vanoirasa , saka vakatopfavira ngoma asi
vaisaziva kuti ichavaomera zvayo .
"Nhai Rue mwana we mwana wangu wekutanga amai vako varipi? Dakuvapa mari
yenyu yechikoro yakabva kuna sekuru venyu."
"Aaah!! Ko nei musina kundiudzawo?" Chembere iyi kunyepera kunge ine rudo.
Rue akakasira kufunga akati chembere iyi yanga ichida kutamba nepfungwa dzedu,
"Aaaah ambuya $5 inotengei? Itai $15, Ende ndotoida mari yacho ndozoenda
kumombe kwacho."
Takazosimuka hedu kuti titangane nerwendo rwedu. Tangoti fambe fambe kubva
pachipatara apa ndakanzwa bhero remota pii-piii-pii kumashure kwataibva.
Ndakatoti vana amai vasuduruke mu road kuti mota yaiiridza bhero idarike.
Joseph akanga auya pachipatara apa before 1 o'clock , akapaka zvake mota yake
pachipatara aida kuona anozotora Tambu. Paakaona pasina kana murume
ndopaakatanga kutevera nemota achiridza bhero kuti vamire .
Mai Nyevero vakamboramba vachida ku ignore Joze vaitya kuti ko mwana wavo
anozotii? Ko ivo vanoti vakukwira mumota mani? Ko iye Joze dzake itsitsi dzei
kubisa mwana wemvana madziwa? Ko mai Sharon havazoti ndakuhura?
Vaishushikana mumoyo mavo vakazoti,
Aaah asi amai ka chokwadi vari kuti padhuze ? Mberi kwe Marovanyati uko
zvakaoma. Ko ini ndaigozivei kuti vaivewo nema reasons avo ekusada kupinda
mumota . Iko kudawo mota kwangu ndaive ndatosvotwa kunge mota yacho
ndaiziva kuti ndeani?
"Nhai amai Inga munhu uyu akukudaidzai nezita akuratidza kukuzivai wani? Imi
mukurwara amai why mukuramba kutakurwa?"
Takapinda muzi mota rino ranga rakanzi Range what what handichaziva iyyy
mutepfe tepfe waivamo. Kana mubhedha waamai waisasvika ipapo. Takagara
zvedu kumashure vamutyairi vari vega kumberi.
End of chapter 16
NYEVERO
Chapter 17
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Rambwai akangoti kwanyanu paaive akagara haana kana kucheuka akarova road
akananga ku location kwaaigara. Haana kana kuda kunoona mwana nemudzimai
wake kuti varisei?
Gona ana gona wake chokwadi aitiza mai Nyevero achiti vanozvara vasikana,zvino
mwari anga amukozveka Rambwai musikana futi anga auya. Mwana chipo
chinobva kuna mwari kani veduwee , hapana paungambochinja marongero
amwari.
Sisi marwei zvavakaona Rambwai asina kuuya kuvaona akatoziva zvake nyaya
yacho, akafunga zano raizoita kuti arambe achigara naRambwai pasinakunetsana.
Amai Sharon pavakadzoka takabva taenda, uncle Joze vakati ndiuye ndigare
kumberi ndichivaratidza road. Ndajangoudzwa muromo umwe ndakanga
ndatosimuka ndakagara kumberi kuya ndikagoiswa chinenge chi belt hameno
ndechei?
Ndaiva directa tichienda zvedu takafamba nyore kani musi uyu ndakafara kwete
zvekutamba kufamba chaiko ndaive ndisingadi makumbo aive orwadza veduwee.
"My angel mari iyi ugonotenga ma sweets kuchikoro handiti "? Ndakatambira $20
yandaitambidzwa na uncle Joze ,momoyo ndakafara kuti ye school fee yatoita
sezvo taibhadhara $20 per term .
Uncle Joze vakaoneka havo voda kuenda, ndopakasvikawo team Rue na Nama .
Vakasvika vakamhoresa uncle vakabva vapiwa ma introduction na amai.
"Nhaiwe Rue unozvidiii zvese zvauri kubvunza? " Kasira kunogeza uko !! Ndi
amai vakanga vatsamwa nehunhu waRue . Rue chero rova hameno aive akatodza
ani ? Aisachinja maitiro ake ndaigaro mutsuura asi aisanzwa.
"It's okey mai Nyevero she is just a child ". Vakapindura uncle Joze .
Ndakazobvunza Rue kuti ko anga aendepi, " ko mamaendepi nhai sisi Rue ?"
"Zvakaoma shamwari ko muchembere auya akati hee endai mofudza mombe zve
ndokwatatanda ".
"Aiwa ndatovabhadharisa vandipa $15 iyi ". Hanzi Sean akarova pasi, nxaaaa regai
aende Chembere inoshusha iya haiwa vaya ndikagara navo vanoita mushe.
"Iwe Rue handidi munhu anotaura zvakaipa pamusoro pevanhu vakuru ". Amai
vakapopota vachibva ku bedroom kwavo vachiuya ku kitchen kwataiva .
Vakawana haikona nyama yakati tande tande pamutariko.
"Taka.....!
"Nyevero enda unotora bag ratapiwa na uncle Joze riya". Vakadaro amai ndakaita
kumhanya ndichinotora bag sezvo ndaitodawo kuona kuti munei mu bag imomo.
Ndakauya naro bag tikavhura kwakuona haikona mune hudobi dobi. Amai
vakakwana ma Tommy ne mapumps one pair amwe ma pair ndini ndaikwana ,
dress raikwana sisi Rue .
Kuzoti foni iyyy amai vakamboda kuti pamwe haisi yavo, ndikavati saka moti
ndeyani ndopavakazoitora vakaisa line ravo vachibisa mukambudzi kavo.
Takazopa amai amai mari dzataive tapiwa na uncle Joze, yese yakaita $55 neya
Rue yaive apiwa na ambuya saka ye school fees yanga yaita pachitosara change .
Ndakafara kuti tatakuendawo kuchikoro zuva raiteera. Takabika zvedu tichifara
haikona kutamba. Takutonorara takanzwa dhi dhi dhi mazimutsindo panze
takabuda kuti tione kuti chaive chiii?
Ambuya vakatora mishonga yavo vakaita zvavakaita, " chidzokera kuchipatara iwe
muzukuru zvatoita so. Akadzokera hake kuchipatara marwei akanyahwaira
kupinda mu ward maaive kwakurara.
End of chapter 16
Love you all my fans sorry yaita short as you know I'm not feeling well but ndaita
kuti ndikupei something to read !!.
NYEVERO
Chapter 18
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Patakabuda panze takawana baba vakati tumbi kumira pakati pechivanze, Nama
akamhanya kuna baba kuda kuvambundira ko mwana mudiki she is like a angel
hapana chaanoziva aah mwana akazavhurwa kwete kutamba akaita seachadonha
akachema hake achiuya kuna amai.
"Makadii henyu baba ko. ......!!" Handina kupedza muromo iwowo ndagamwa.
"Pwapwa Pwapwa kudiiii? " Handisi baba venyu ini ,vana vepfambi ndatouya pano
kukuudzai kuti muite murongedze madhende enyu mubve pano dakuuya kuzogara
pano nemukadzi wangu nemwana wangu.
Rambwai zvaakabva pamba pake akananga kumba kwa amai vake ,musoro wake
wanga watozara mvura chaiyo akaenda achipopota road yese. Achisvika paruvanze
akawana mombe dzakazara paruvanze dzimwe dzakazara mumunda. Akananga ku
room kwairara Sean kuti amumutse atinhe mombe mumunda ko aizevei kuti Sean
akarova pasi. Paakawana asimo akanomutsa amai vake avo vakanga vatofa zvavo
ne hope vaitorota zvavo vari kudenga rechinomwe apa munda uchirakashwa
nemombe .
"Amai amai!!"
Mukai mombe dzapoya.
Joze akasvika kumba aine mufaro waisvika kugotsi ,kana amai vake
vakatombomubvunza kuti ainyanyofarei? Akavati aizovaudza vapedza kudya,
amai vakamirira havo kuzonzwa zvaifadza mwana wavo. Vapedza kudya amai na
baba va Joze vakateya nzeve kuti vanzwe zvaifadza mwana komana wavo uyu.
"Eh mhazi taurai tinzwe". Ndi amai va Joze vakadaro vaive vanonokerwa nenyaya.
Joze akangoti," achauya hake amai muchamuona ". Asi mumoyo make aizvidya
aisaziva kuti mai Nyevero vachabvuma here ? Ko ivo baba Nyevero varipi zvese
izvi aive asati ane mhinduro. Asi iye akanga ada mai Nyevero nezvavaiva akanga
azvipira kukweva sanzu nemarara aro.
Joze akazooneka vabereki vake onorara sezvo aida kumuka achidzokera kuHarare
.
Akaenda hake kunorara, asati arara akafunga kusendera mai Nyevero WhatsApp
message sezvo X2 aive atoisetesa WhatsApp .
Message yaiti:
"Masara zvakanaka here amai Nyevero? Tambu sekuona kwandaita situation yako
zvandiratidza kuti baba vevana vako something is wrong somewhere. Ini hangu I
still love you Tambu and I'm ready to marry you and to be a good father to your
kids . As for me ndakamboroora asi takarambana nemukadzi wangu ndamubata
nechikomba mumba akabva aenda nemwana wandisingatozivi kuti aive wangu
here or aive wechikomba. Sorry to tell you this but that's the truth I still love you
Tambu . Kubva pandakakuona musuuya pa ecocash ndakabva ndafunga kare kare
paye tichiri kuchikoro.
Tell me your story I'm all ears ,ndikudzokera ku Harare mangwana but if you need
anything tell me . From Joze ". Akabva abaya send button kwakurara zvake akati
ndozoona reply mangwana, aitarisira zvese kutukwa kana kuudzwa zvakanaka.
"Iwe Joze kana zvirizvo zvawatengera foni iyi ini handisi mwana mudiki
anonyengedzwa ne sweet wanzwa? " Handidi kana kukuona please I told you I'm
happily married leave me alone please !. Vakabva vabayawo send kwakudzima fon
nekubisa line kwakunokanda foni yacho muguru raive pamba pavo, kuita
sevacharumwa nenyoka usiku ihwohwo. Vakaisa line ravo mukambudzi kavo
kwakurara . Chinya chegurwe chaicho kuruma makumbo kana ratsamwa ko
rozofamba neiko?
Amai Nyevero vakapera mate mukanwa nezvaitaurwa apa asi chekuita vanga
vasina, kwekuwana $100 kwanga kusina, "zvakanakai zvamataura ndazvinzwa
handei henyu munotora dhongi racho ".
"Ko nhai amai chip chakaitika mumunda?" Asi mombe dzakapoya? Amai Nyevero
vakatobvunza ne moyo une rudo. Vakagotukirorwa naamwene vavo vakangobva
vasina kana kuoneka vonanga kumba kwavo.
Ma nurse paakanoona vana vakawana mwana wasisi chava chando," amai tine
urombo mwana wenyu atisiya ". Vakadaro vamwe nurse marwei agoibongomora
mhere ye fake zvake. Rambwai paakazosvikawo achiudzwa mamiriro enyaya
anonyaradza umwe wake vozotorana nechitunha chemwana wavo vonanga
kunoviga kukabani kaive ko . Ko vaive vasinaka hama muChivhu saka hapana
akambovabatsira .
"Aah iwe Nyevero handiti imari yangu yandakapiwa na uncle Joze kuti nditenge
Ma zap ?" Saka wanga uchida ndibhadhare school fee ne mari yangu yema zap ?
End of chapter 18
Like our fb page Aka Heather stories for more stories and short stories .
Love you
NYEVERO
Chapter 19
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
*Uyuwo Rue akamhanya kuti atange kusvika pamba, akanoudza amai vake kuti
Nyevero adya mari yake ye school fees neshamwari dzake akabhadhara yake
chete*
"Nhaiwe Nyevero ,ko zvawadya mari yemwana yeschool fees woda adzingwe?"
Unofunga here iwe mwana wa Rambwai kana kuti imvura yakazara mudzoro rako
umomo?"
"Handidi kana kunzwa nhema dzako pano Nyevero, iwe ndiwe ucharega kuenda
kuchikoro mangwana chaiwo ndotoenda nereceipt kuchikoro inochinjwa zita.
Hameno iwe uchaiwanepi mari yekuti udzidze handiti wadya yako."
Ndakagoti mwari itai kuda kwenyu, chokwadi mai vaiteerera Rue pese pese
vachingomuti mwana anga akutoenderera Rue sehembe ikudambuka mupendero.
Asi kana iyewo Rue kudya here $20 yese? Kana kusiya hake change apa
nemagonero aaita aisatomboenderana nelevel remusikanzwa waaiita.
Takazonobisa hedu mauniform, ini kana mufaro ndanga ndisisina knowing kuti
handichaenda kuchikoro. Ndaive ndakutofunga kwekunoita maricho kuti ndiwane
$20 ye fees .
Rue akaona kuti ati ndiNyevero akaba aibatwa nhema dzake. Kakabwaira bwaira
kachifunga zvekuita.
"Aaah nhai ambuya mukuona ndiri size inotakura bhaghidhi here ini?
Hameno ndakaona mukoma Sean vachibudamo muhozi menyu, pamwe ndivo
vangatoziva nezve nzungu dzenyu kuti dzakaendepi."
Chembere payakanzwa zvaSean yakati tuzu zvino yonyara nyara nhema. Apa Sean
aibva kudunhu raive about 50km kubva kwaMabika uku, vakaona kuti hapana
zvavachaita havangatambisi nguva kuteera Sean pamwe aive ava fixerwo utsinye
hwavaimuitira. Chembere yakatendeuka yodzokera kumana kwayo.
Amai Nyevero vaive vari ziii zvavo panguva yese yaipopotwa navamwene vavo
pavakanga vakufamba vakasimuka vakudeedzera amwene vavo avo vaive
vatofamba nhanho
.
"Ko makaita basaka nhai amai, makatipa usavi. Iyy makaita zvenyu tombochovha
zvimazuva tichidya. Rue paakanzwa izvi akamhanya mu kitchen akaisa nyama
yese yaive yasara mu bucket kwakuvhara.
Ukuwo mai Nyevero vakashaya kana remuromo ko handiti vaive vanzi takapiwa
nambuya? Havana kana chavakataura vakangoramba vati zii kunge vasina kunzwa
zvaive zvabvunzwa. Vakabva vatoziva kuti vana vavo vanga vanyepa chete.
Amwene vavo vakaona kuti it's too late ,vakanhenhaira vakananga mu kitchen
kunotsvaka nyama. Vakawana Rue akatogara zvake pa bucket rakanga aisa nyama
achitoverenga zvake book rake.
"Dady ndafunga zvekumbogara kumusha zvangu, asi hure riya must go first
ndogara ini ndozogara in peace."
Hameno kuti vana Marwei what makes them think they will stay pabva umwe
nhai? Kana iwe wakwanisa kubvisa umwe iwe unotadza nei kuzobvawo? Shiri ine
muririro wayo hairegi nekuti yachembera or anything.
"Sure here sweety wangu? Haa nhasi ndopawataurawo zvine musoro kubva
zvandakakuziva. Ndafara at least mai Nyevero anobva abva pamba pangu for good
hameno achaendepi nezvivana zvake." Akadaro Rambwai achibata bata svusvura
ndadya yake iyi asingazivi kuti kwaingova kufadzwa nenhema.
Marwei chaaida kuti mai Nyevero varambwe chete vaende kuti kana akazonetsana
na Rambwai hapana kwanotiza achienda.
"OK mai mwana ndotodzokerako weekend iyoyi. This time ndonomupa gupuro
chairo kana asingadi kubva pamba pangu.
"Totoenda tese ba mwana kuti vaone kuti uri serious. Regai ndibike favourate food
yenyu imi muchigeza henyu."
Muzvere anombobika here veduwe? Kwaiva kuda kuisa mishonga yaakabva nayo
kwambuya godobori. Uyuwo Rambwai akangoenda hake kwaanga anzi aende
hake. Vaviri ava vanga vatokanganwa kuti vafirwa iwo mapudzi anowira kune
vasina hari chokwadi.
Joseph akaswera asina kana mufaro mumoyo make. Aingofunga amai Nyevero.
Asi kuti afone aitya sezvo anga asati ane dull information about her husband. Aitya
kufona odairwa nemurume wavo, aisada kurambisa munhu asi aida kutanga
azvionera pamhino sefodya sa Thomas.
Sezvo mai Nyevero vanga vasiya foni yavo padombo raive pamba pavo
yaingoringa isina akadaira. Ivo vaive vaende kugarden kwavo naNama kunotsvaka
havo ma vegetables.
Jose akaedza kufoni rwepiri ikaringa zvekare. Takabva kuhuni takawana amai
vasipo, ndakapinda mu kitchen kuvesa moto, Rue akasara hake panze.
Rue zvaakasara panze akaona foni yaamai vake ichiringa, akambofunga kuenda
nayo kuna Nyevero sezvo iye aisabvumirwa kudaira foni asi umwe moyo
wakamuti ingodaira kwanhasi chete. Foni yakasvika pakukata asina kudaira,
yakatanga zvekare kuringa akangoinhonga kwakudaira zvake musikana
wekungwara.
"Ndikureva baba vako varipo here?" Akadaro Joze uku achidedera kuti kovakanzi
varipo? Aizotaura kutiii navo? Rue akakabva kapindurawo ipapo zvakashamisa
Joze.
End of chapter 19
For more stories and short stories like Aka Heather stories fb page
NYEVERO
Chapter 20
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
*"Aah baba havapo uye havachatidi vakati hatisi vana vavo"* Akapindura zvake
Rue akatosununguka. Ko aizivei zvake kuti atogonera mukoma Joseph.
"Okey my angel ko amai varipi?" Akadairawo Joze.
Sezvo Rue akanga awana amai vavo vasipo akangopindirawo saizvozvo kuti
aisaziva kuti vaenda kupi. Joze akakata hake nharembozha yake haana kuda
kuzobvunza zvakawanda. Uku kamoyo kakufara anga akuziva about Tambudzai's
husband.
Amai Nyevero vakatora foni yavo kwakutarisa kuma received calls, vakawana
chokwadi kuine unknown number same same neiya yekumbovasendera WhatsApp
message.
"Nhai Nyevero hausiwe wataura na uncle Joze iwe? Usada kundinyepera wanzwa
hausiwe wanga uchiti waudza uncle Joze kuti baba vakatiramba?
Ndakashamisika nezvaitaurwa na Rue ,what kind of a sister was she? How can she
lie like that? Nehasha ndakasimuka ndikamudzemura zimbama what she says was
not called for. Ndakanga ndamuregerera zvakawanda. Kana iye akanga asina
kutarisira mbama yakadaro from me.
"Why uchindinyepera all the time nhai iwe Rue? What have I done to you as a
sister? I protect you enough ndichisuffer pazviito zvako." Akanga angoti tuzu Rue
akanga akuona the other side of me aiwa aive anyanya kuenderera.
"Hello!!"
Amai Nyevero vakadaira nharembozha yavo vachienda panze, vaida
kunyatsotukirira Joze pasina ainzwa.
Iniwo ndakasara ndiksmhonya Ruu nzeve. Ndaida kuti asanditaure zvisizvo futi.
Ndakange ndamukanganwa semuninina. Ndakabva ndamurovera musoro
kumadziro. Ndakange ndichitaura ndichiti,
"I'm your sister iwe. Sei uchindidaro? Unoona kunyarara ukati ndikapusa hanty?
Kubva nhasi uchaziva kuti ndiri sisi vako."
Ndakamurova zvekuti.
"Nhaiwe Joze or baba who ever you call yourself, woda ndikuudze sei kuti
usataura neni? Woda kundirambisa here nemurume wangu nhai? Kubva nhasi
usandifonere zvekare wanzwa? Iye akambokupa number yangu ndiani? Go to hell
Joseph wanzwaka? Nxaa ane nhamo chaizvo iye anozviti mukadzi wako iyeye,
leave me alone and in peace please!!"
Vakapopota haikona mai Nyevero ,uku Joze aive akangoteerera zvake vakati
vakuda kukata ndobva vanzwa, "Tambu iwewe murume wako akakuramba zvese
nevana and as for my wife, I'm not married."
"Amai maitwa sei? Pane kwafiwa here mhamha?" Ndakabvunza amai vangu
ndarwadziwa nemachemero avaiita.
Zvairatidza kuti pane zvaivarwadza mumoyo mavo. Amai havana chavakataura asi
vakangosimuka vakandimbundira ndokunditi tibike tozovamutsa kana tapedza ivo
ndokunanga kuimba yavo yekurara.
Pandakasvika mu kitchen ndakabvunza Rue kuti aive audza uncle Joze kutii? Rue
akangoti hapana, asi ndakazvi feeler kuti kuchema kwaamai have something to do
with uncle Joze nekuti ndakatarisa last received call yamhamha it was the same
number yakadairwa na Rue.
Amai Nyevero vaisada kunorara asi vaida kunochema nhamo dzavo, vakatanga
kufunga how will her children think if she get married again. Ko iye Joze wacho
akasazoda vana vavo?
Ndakapedza hangu kubika ndakatuma Rue kunomutsa amai kuti tidye. Amai
vakadungamidzana naRue ndakanamata tikadya hedu. Asi amai ndakaona kuti
vaisadya ,vakangonyobvora nyobvora kwakutosiya ndokudzokera ku bedroom
kwavo kunorara.
Ndakapedza kudya kwaku cleaner tikateerawo kunorara musi uyu hatina kana
kumbotandara, Rue wo aive akatsamwa ne mbama nekumuzvindikita kwandaive
ndamuita.
"Asikana ndati ndimbouya hangu kutandara kuno, ko kuzenge wakaneta neta nhai
mai Nyevero chii?" Vakadaro mai Sharon vachibvunza sahwira wavo.
"Ndaneta zvangu shamwari ndanga ndaenda kuchikoro kwana Rue uko ,unoziva
kure sei. Urisei zvako sahwira?"
"Ndiri bho shamwari,ndauya pano kuzonyatsokubvunza iwe about that Joze guy.
Who is he? Matarisiro aaikuita tell me shamwari what's going on? Paya
wakazviwanira paya kana vana baba Sharon vari joni uko havasviki paya
ndovanonzi varumeka vaya, kwete zvana Rambwai vakanyorwa pama toilet nxaaa.
Tell me my friend what's going on with that man?"
Vakadaro mai Sharon, nyaya vaidzidawo ko iko kuzoshora wavo murume nekuti
vaive vaona iko ka Range rover kaJoze. Kubva dai vaive ivo mai Nyevero dai
vakatobvuma zve kana vana vaivasiya vega type yacho bodo.
Amai Nyevero vakatanga vaseka zvavo chero zvazvo vaive vasina setswa.
"Shamwari uya ingori old friend nothing more."
Vakapindura mai Nyevero asi umwe moyo waiti udza mai Sharon chokwadi
pamwe vanokupawo zano.
Ndakanga ndafunga kunotsvaka maricho kuti yeschool fees ibude, sezvo ndaive
ndapedo nekunyora ma exam egrade 7 ndaisada kurega kunyorawo nevamwe.
Ndakasvika ndikawana pamba pamai Nokutenda painemukomana wavo webasa
,akati mai Noku vaive kuHarare. Ndakabatikana nekuti she was my last hope.
Ndakaoneka kwakudzokera hangu kumba kwamai vangu.
End of chapter 20
Like our fb page Aka Heather stories for more stories and short stories .
NYEVERO
Chapter 21
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Ndichisvika kumba I get the shock of my life, Rue aive awira mugomba raive
pamba rakanga racherwa pataida kuvakisa toilet, sezvo yaive nguva yezhizha
manga muine mvura. Apa musoro ndowega waiwoneka akanga ochema zvino,
kana kuti ndifunge kuti aive aendapo achidei zvakatondinetsa.
Ndakaona mwana wamai vangu akusvimha misodzi ndakashaya kuti ko chava chii
zvekare?
"Rue did anyone hurt you at school?" Ndakabvunza ndakutoshushikanawo kuti
pamwe ane zvaaive aitwa kuchikoro.
Rue hapana zvaaive aitwa zvake asi nemusikanzwa yake paakawana pamba pasina
vanhu akaenda pagomba ipapo achida kutoshanja zvake, akatadza kutsika
kwakuwira zvekuti dai Nyevero akanonoka dai akafiramo.
"It's oketly Rue, I'm your sister that's why ndisingakutsamwiri handiti? But
promise me to be a good child from now on?"
"Yes I promise !!" Ndakaona kana amai vakashamisika kuti Rue aindinyepera and
I never bother to tell her the truth. Takazombundirana tese tiri 4 takufara hedu, ini
nhamo yekuti handina mari yeschool fees ndiyo yaingondibaya.
Takazobika zvedu tiine mufaro mumba medu. Takapedza ndokunorara zvedu musi
uyu takaita poweful prayer yekutenda musiki nezvaaitiitira.
Amai vakanzwisisa, kana Rue akati aidawo kunobatsira kusakura. Takaenda zvedu
kunobata basa sebasa kwavaMutema kuya . Hatina kana kupiwa mvura zvayo
yekumwa , taitonomwa yemurwizi ko handiti mvura haina n'anga here .
Takairova ndima zuva rakazosara rovira tadarika pakati pegandiwa, zvekuti next
day taipedzisa zvedu.
Takasvika kumba zuva ratodoka, amai vakabika tichitaura hedu nyaya. Takudya
foni yamai yakaringa, vakaikata kanenge ka5. Ndakatomboda kuvabvunza why
vaisadaira foni? Pamwe ndibaba vaifona hameno.
Joze akanga asisina mufaro, amai vake vaifona vachida kunzwa about her daughter
inlaw. Uku iye anga asati adiwa. He tried to call Tambu asi foni yaingokatwa
akazongosiyana nazvo ndokunorara zvake.
Musi uyu takatandara kusvika kuma2200 takazonorara zvedu . Amai Nyevero hope
hadzina kuuya. Vakatanga kunyatsofunga about her life. Where is my father? Why
am I suffering like this? Will this end? Vakazvibvunza zvakawanda asi pasina
aipindura. Vakafungazve nezva Joze, amai Nyevero vakaona kuti pamwe Joze aive
pachokwadi asi zvaisaita kuroorwa munhu ane vana vatatu. Ko vabereki va Joze
vakandiramba ndozodii? Ko iye Joze haazodi mwana here? Nekuti ini ndakanzi
handichazvari saka angangoda kuchengeta vana vangu pasina kana wake?
Vakazvitongesa zvakawanda asi mhinduro hapana kwayaibva only God can
answer some of our questions, but sometimes mhinduro yamwari inoita
seyanonoka asi remember God is always on time he will never be late.
End of chapter 21
Like our fb page Aka Heather stories for more stories and short stories
Love you all happy reading!!
NYEVERO
Chapter 22
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Rambwai naMarwei wake vakabva kuChivhu kuma1 sezvo Rambwai aiita half day
maSartadays. Akanga apiwa pressure na nepfambi yake uye marwei aive ati
haatosari anoendawo to make sure maiNyevero vaenda. Rambwai umwe moyo
wairwadza kuti ko vana vake vaizoita sei? Asi nemushonga waaidyiswa nefoshoro
hapana chaizokwanisa kupikisa.
"Mhamha ko zhinhu zhedu zhaiswa nani panze apa? Asi moda kudzura mumba
here mhamha tinonhonga ndove handitika?"
Ndi Nama kaibvunza amai, ko aiziveiko taidzura hedu mumba ne ndove asi kwete
zvekuburitsaka zvinhu panze plus hatisisu tataburitsa.
Amai vakanga vakungochema vakamira pasi pemuti, chakandinetsa pama door ese
panga paiswa ma keys matsva edu aivepo anga akatokandwa pasi.
Akatsinhira marwei, moyo wake wanga wakatooma kunge dombo. Ko iko kuda
kugara imba yeumwe mukadzi? Itai matyira madzimai imba yeumwe mukadzi
haisi yako.
Ndaisaziva kuti munhu anorambwa pamwe nevana ka ini. Ndaisingonzwa kuti mai
nhingi vaya vakapiwa gupuro ne murume wavo. Musi uyu ndakazvionera pamhino
sefodya. Amai vakachema zvaisiririsa, ndakabatikana kusvika pekupedzisira. Saka
zvatadzingwa togarepi manje kwa sabhuku zvakwakaberekera ngwena tainoudza
ani nhamo yedu?
Ndakafunga hope dziya ndomadhaka ka aya nhai mwari? Saka are we going to live
mubako nhai mwari? Pakadai unofunga kuti mwari vakusiya asi Mwari vanenge
vainewe all the way.
Ndakanyararidza amai,
"Mhamha musachema ngatizviisei kuna mwari, his plans are for good not for evil
says the bible in Jeremiah. Kana ivo mwari vati tichagara panze so be it mom we
can't do anything now."
Amai vakazonyarara uku sisi Nama vaive vochema nzara. Ko taive taswerera
mutakura ini zvangu kana nzara yacho ndandandisisina. I hurt my father from that
day why vakatiunza panyika? Mwana mukomana anodyiwa nyama here? Inga
vasikana vakatove nani vanoroorwa wodya pfuma?
Joze akaswera asina kana mufaro. Joze aive munhu anonamata zvembiri aiendawo
kuchurch pano neapo, pamwe dai ainamatawo pamwe zvaisamunetsa. Akafunga
kufonera baba vake kuti avaudze about the lady he want to marry. Aida kuonawo
mafungiro avo .
"Dad ini munhu wandoda kuroora ane vana vake vatatu. Ndomuda zvakadaro dad
atleast she won't cheat me she is a decent woman. Can you accept her dad?"
Baba Va Joze vakamboramba vakanyarara zvekuti akatombofunga kuti vakata.
Vakazopindura zvavo after a long thought.
"Mwanangu zvawataura ndazvinzwa and I will support you on that kana iwe
nemunhu wako muchidanana hapana chakashata mwanangu. Asi iye mukadzi uyu
murume wake aripi uye haazokunetsi here?"
Shasha yakapindura,asi isina chokwadi nazvo. Akamboda kuti ati murume akafa
asi akazofunga kuti baba vevana vanozouya voda vana vavo, zvikazoshoresa
Tambu nababa vake achinzi anonyepa.
"Kana zvakadaro zvakanaka mwanangu, kana imi madanana I will support you all
the way. Asi amai vako unovaziva imbomira kuvaudza izvi ndichataura navo
inini."
Nhamo yayasara yekudiwa namai Nyevero. How may I win Tambu's heart now?
Shasha yakarara nemanhede yofunga zano.
Mbuya Nyevero zvavakasvika kumurume wavo vakati zvese kumba zviri right.
Zvekuti munda wakadyiwa havana kana kuzviti bufu kana zvekuuraya mombe
yemuroora havana kuzvitaura.
Vakangotaura zva Sean kuti akaenda sezvo mari yake ye pay yaiiswa paecocash,
vaiitira kuti asazoisirwa mari.
Takarova strong prayer yedu ipapo kwakurara, apa ini matyiro andaisiita kurara
kumacheto asi musi uyu kutya kwese kwakapera. Nama aingobvunza mubvunzo
yaisapera, zvakamunetsawo mwana kurara mugomo imba iripo chokwadi. Dai
vakangotinzwirawo tsitsi takarara hedu mukitchen.
End of chapter 22
NYEVERO
Chapter 23
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Ini wekutya ndakanga ndongobvunda kunge katsanga kari mumvura, ava vasikana
vaviri vaitodzipfodora dzeumambo. Chokwadi kuvawo mwana wedangwe
kwakangooma, ndakaona mai vakutisvededza padhuze pamwe vanga voti ndofa
nevana vangu hameno. Chinhu chiya chakaita sechakuuya nekwataiva ndakaita
short prayer mumoyo pfungwa idzodzo ndotoshaya dzakabvepi.
"Mwari baba Ini mwana wenyu ndauya pamberi penyu nguva ino nevana vamai
vangu naamai vangu. Mwari tirwei kuzvikara zvesango rino, Mwari moda vavengi
vedu vafare here tikatsakatira pano. Asi kana matonga henyu Mwari itaiwo
tigogara kudenga nemi nekusingaperi.
Amen."
Pandaita Amen was suprised amai vachiitawo Amen ndofunga vanga vaitawo last
prayer hameno. Sezvo kwaive nemhindo waisaona chinhu chero chiri pedyo newe,
ndakanzwa kutsikwa nezigumbo rairatidza kuti pane zvemutumba hama dzangu.
Ndakaudzvura maziso kuti mwari ndakutodyiwa here pano? Ndakamboti pamwe
ndibaba vateeera? Ndichiri kufunga kudaro yakadzvova zvayo shumba zviya
zvainoita pama movie kana yawana chekudya. Ndakatoti shumba yakutonanata iyi
kuti idye zvayo.
Amai Nyevero havana kuzombowana hope, idzo pfungwa dzikati huya titambe
tese. Dzimwe dzaiti ukumborambirei Joze nhaiwe Tambu? Ukutokava
makomborero negumbo rine shenha? Imwe pfungwa yoti varume vakafanana
Tambu Joze uyu anongokushandisa okusiya. Ko ivo vana vako anozovada here
Joze iyeyu? Vakatambura mai Nyevero kusvika vapa conclusion yekuchengeta
vana vavo vega. nhamo yanga yave yekutsvaka pekugara.
Amai vakangosimudza Nama Ini na Rue tatatomira kure, takangotora jira rekufuka
ratatakawarira takasiyapo iyo nyoka iya kana kutsudunuka. Hameno yange
yadyepi. Amai vakazoti tatodzaka mugomo,
Marwei aifara haikona kutamba, ko big obstacle yayabvazve. Anga akufunga plan
B nekuti iye zvekugara kumusha aisada zvachose ndo zvakatoita atize murume
kwaanga akaroorwa.
Marwei kumba kwavo paive pabarika iye ari mwana we second wife. Kumba
kwavo kwaive nenhamo yairidza muridzo kuti ndiri pano, akanga asina kana
kuenda ku grade zero ndozvakaita akasire kurorwa nekuti vabereki vaingoda
chekudya. Akazotiza murume anzi gara kumusha sezvo aive 2nd best 1st wife
ndoyayogara Harare. Kumusha kwemurume wacho kwaive ku Nharira saka
vaipota vachinotenga grocery ku Chivhu. Ndipo paakazosanganaka na Rambwai
sezvo anga asati ane mwana nemurume wake akanyepera wedu wekudzungaira
Rambwai ndokudanana kusvika atizira. Apa she was only 20 tsvee kudzidza
takarasima ne varume vevanhu.
Takasvika paruvanze zvinhu zvakaita kutota, hembe idzir upfu uhu. Ndakangotora
hembe dzeku church kwakuzunza zunza nekumboisa pa wire kuti dzirohwe
nemhepo tiwane kupfeka. Sezvo tatapiwa $5 na maiMutema amai vakatuma Rue
kunotenga chingwa tikabika tea kwakumwa.
Amai Nyevero vakademba demba vakazonzi vauye havo vashande, pay yakanzi
$20 per mthn to her it was okey sezvo vaingoda pekugara uye yechikoro yevana.
Vakawirirana havo muridzi akati aizouya ovatakura mangwana acho nekuvaratidza
how to work saka vakatora number dzamai Nyevero for communication. Amai
Nyevero vakatenda ndokuoneka havo vodzokera kumba kwavo.
Marwei akazomuka zuva rakwira, pekubikira anga asina kana cup. Vakazoendat
kwaMurambinda kunotenga tenga zvekushandisa ne grocery vakaswerako
vachidya $ pa girosipoindi ko ndozvaaidaka zvemari.
Takasvika kumba mai vasati vadzoka, mumba mairatidza kuti hamuna vanhu
papakatokiwa nekunze hameno kwaive kwaendwa. Takagara zvedu tichimirira
mhamha, Nama ndiye aingobvuma kuti why zvinhu zvedu zviri panze? Why
takurara kugomo? Ndakashaya kana mhinduro. Ndakatozovhara ndakukati
ngatinanikei hembe dzese dziome uye kurongedza zvinhu muchi bathroom
togezera hedu kuseri kwemba.
"Ndine good news vanangu , I'm so happy huyai mugare pano ndikuudzei."
Vakadaro mai ndakatoshaya kuti what good news she have for us tisina pekuisa
musoro. Takangonogara hedu sekutaura kwavanga vaita. Ini ndaitove ne stress
chaiyo ini. Upenyu hwedu huchatovawo nechimuko here? Ko iko kuchikoro
tichaenda tichigara pai?
End of chapter 23
Like our fb page Aka Heather stories for more stories and short stories
Chapter 24
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
My friend was hurt with our situation asi semwanawo anga asina chaaikwanisa
kuita. Takaonekana zvedu ndodzokera kumba ndakatodzokera ndichinonga
zvitsotso paruzhowa pedu.
"Ko waidii kundiudza pese apa Nhai muroora? Wainyararirei? Please muroora
usaenda ndotuma mai vako kugadzirisa zvinhu ikoko." Vakapindura vatezvara
vavo, ko vaizivei kuti mukadzi wavo was the main actor mumabasa emwana wavo.
Sharon zvanosvika kumba anoudza amai vake situation yana Nyevero. Amai
Sharon vanobatikana voenda kunoona mai Nyevero kumba kwavo.
"OK asi nhasi monorara kumba kwangu sezvo wati mukuenda mangwana."
Vakadaro mai Sharon.
"Ko nhaiwe mai Rambwai. ko kusandiudza kuti Rambwai ane umwe mukadzi
chii? Ko mombe yaishandiswa ne mukadzi akaiurairei? Ko wakadiii kutaura?
Muroora afona ati apiwa gupuro uko." Vakabvunza vachiita kuhuta nehasha.
Takatandara zvedu musi uyu tichikurukura zvedu nekurairwa nana mai vedu.
Takatozodzingwa kuti torara sezvo taimukira kuchikoro, amai vakati vaizouya
votitora kuchikoro sezvo taitanga kunyora exam yeend of term taisafanira kurovha.
Ndaitotya kufoira kudzidza term iyi ndandarovha zvakanyanya. Ndakanamata
kwakurara zvangu.
Vaida kutora mai Nyevero vakafona pa foni yamai Sharon vakapiwa madirection
ekusvika pamba pa mai Nyevero. Amai Nyevero vakatenda sahwira wavo
nekuvabatsira uye vakavimbisa kuzovashanyira vakaperekedzana havo vaviri ava
Nama ari kumusana kwamai vake. Amai Nyevero vakafunga kuudza shamwari
yavo about Joze's proposal.
"Shamwari uchiri mwana mudiki, remember wakaroorwa usati wakura and you are
still young 27years unotoroorwa ne jaya iwe ukatochata ufunge".
Mai Sharon vakapindura umwe wavo.
"Uhmmm ko vana vatatu munhu angazovada? Ini ndoda kuti vana vangu
vasatambudzwe hangu. Zvino Joze arikuti anondida shamwari but I don't know if
he can love my kids as well." Shasha yakazoti dyoo panyaya yayo. Amai Sharon
vakaonesa sahwira wavo.
"Joze sim to be a good person my friend, give him a chance take it slow okey and
see what will come out."
Mai Nyevero vakazobvumira kupa Joze a chance. Vairi vakaonekana zvavo umwe
neumwe oenda kwake.
Joze achisvika akashamisika kuona pamba pa mai Nyevero pakamira kaT35 kake.
Zvakamunetsa nekuti anga akapa bamunini vake murume wemunin'ina wamai
vake vachiti varikuda kunotakura zvinhu zvemushandi wavo. So does that mean
mushandi wavo ndi mai Nyevero? Akapaka kure achiona hake karori kakasimuka
kotibura guruva kuenda. Iye aiteera ari kure hake pakakasvikomira pamba
pabamunini vake iye akamirawo kure.
Marwei akaita ku boiler negodo achiona mai Nyevero voenda ne mota. Iye aida
kuti vatambure for the rest her life vachigara panze manje mwari havadaro.
Joze akamirawo almost 2hrs ,paakazoona karori kakuenda akamira about 30min to
make sure kutibvaenda ndopakazoendawo pamba paya.
Mai Nyevero vaitove mumba vachi cleaner havo, pavakanzwa mota vakatoti
maboss adzoka. Pavakabuda panze she was suprised kuona Joze akazembera zvake
pamota yake.
"Anything you want to call me shamwari as long ndakuona I'm here to talk not to
quarrel with you." Akapindura Joze achitosimudza sisi Nama.
"Long story I don't want to talk about it zvachose. By the way why are you here?
Uye akuudza kuti ndauya pano ndiani?"
Joze akatsanangura zvaita kuti asvikepo, asi haana kuudza Tambu kuti vanhu
vauya navo ihama dzake aitya kurambwa asati adiwa.
"But tell me Tambu why are you here?" Joze aida kuziva zvaita Tambu auye
pamba apa.
Mai Nyevero vakazotaura kuti vanga vauya kuzoshanda nekuti murume wavo anga
avaisira zvinhu panze neumwe mukadzi. Vaviri ava vakataura kusvika yerudo iya
yapindazve ,mai Nyevero vakati she will think about it.
Joze akazovapa grocery nehembe dzaanga atengera vana, akavaperekedza kunotora
vana kuchikoro sezvo vaisaziva pamba.
Varimunzira Joze akabvunza zve foni yaakavatengera vakati yakatsemuka.
"Ko why foni yako isiri kuita nhai Tambu? I mean diki yacho.
Joze akabvunza nekuti akanga aizama kakawanda ichiramba.
"It's okey will give you another foni line tonotora just now regatotora vana 1st".
Takabuda zvedu pa school gate sezvo amai vavati vachauya kuzotitora. Pasina
nguva takaona pasvika zimota re white, ndakashamisika kuona mhamha
vachidzaka imomo.
Taka........!!
End of chapter 24
Like our fb page for more stories and short stories Aka Heather stories .
Chapter 25
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
"Exam ini ndapasa mhamha haa zvazvakapusa , ko Nama aripi? Asi iyo ndiyo
mota yevaridzi vepatiri kunogara here mhamha? Yakanaka mhamha handitika?"
Rue akadaira nekubvunza amai vake mibvunzo.
Takasvika uncle Joze vakamira zvavo panze ku side kwa driver. Takaita
setichavawisira pasi nemufaro, vakatikwazisawo nemufaro kwazvo. Sisi Nama
vaive vatokotsira zvavo vari back seat kwavanga vakagara. Hameno why vana
vadiki vachiti vakangokwira mota vakutokotsira.
Ndakatomboda kubvunzwa amai kuti ko takudzokera futi kumba here? Asi baba
vachinja moyo aah hameno gaitigoona tasvika.
Marwei zvaakasara ega pamba po nezigomo kunze akanga otya zvino. Akafonera
amai vake kuti vauye netuvanin'ina twake sezvo aida kuzovasiyapo oenda taundi.
Ivowo mai benzi vanokarawo kudya kutobvuma wena kuuya kuzogara pamba
pemukwasha.
Hakuna ambuya vakadai vanotiza musha kuuya kugara pamukwasha haiwa bodo.
Shasha yakatonotenha muboora mumunda kunge make kani, kushaya matyira
chaiko.
"Watiii nhai Masivanda? Mota chaiyo here kana kuti ngoro? Wanyatsoona here
muroora? Haiwa ngazviende anohura nezvivana zvake. Iwe ndiwe wega
wandodisa ndichatopa Rambwai mombe yangu anorora mukadzi achandipa
muzukuru komana."
Nhamo ine nharo Chembere yaizvinetsa iyoyi kuzoda kuroora Marwei nemombe
kani, pamwe dzaive nyaya dzekugutisa tea hameno.
"Amai honai mota ikuya pano iyo ,asi ndi tete mai Matipa kani?"
Mai Matipa vairehwa ava vaive gotwe remumba mana Rambwai ko Marwei
aingoudzwaka nemurume nezve hama dzese iye asingadzizivi.
"Uhmmmm,aiwa mai Matipa haana yakadai mota ,rega tione kuti ndiani pamwe
vanhu vaudzwa kumba kuti ndauya pano angagova ani iyeyu?"
Chembere yakadaro ichisimuka wena kuda kutambiraka vaenzi vaive my twin cab.
Ko yaiziveiko kuti imhuri yamai Nyevero.
Takasvika zvedu pamba uncle vakasviko paka zimota ravo pakati peruvanze. Amai
vakati tidzake timhorese mbuya sezvo takawana varipowo pamba.
"Makadiiko mhai?" Amai Nyevero vakadaro vachigwadama kuombera amwene
vavo avo vavakangoshama muromo kunge uchazara nhunzi. Ko vanga
vashamiswazve kuona mai Nyevero vakadya window. Vakatadza kana kupindura
muroora aive avakwazisa. Mai Nyevero vakasimuka zvavo pavanga vapfugama
ndokuenda kudombo ravakanga vasiya foni yavo.
Ndakamboda kuseka ndichiona zvaiva zvaita face yambuya aah vaifunga kuti
hatikwirewo mota hameno.
"Mai Nyevero kuita chikomba chine mota sure ini ndisina? Hayayaya that can't be
no no no ndotofonera ambuya kuti vavarambanise nechikomba chavo ichocho
nxaaa." Ndimarwei uyo aitaura ega akabva atomhanya kunofonera ambuya
godobori.
Marwei akatanga kufunga kwaaizowana photo ramai Nyevero akaona kuti hakuna
kumwe kunze kwe 1 raaigaroona mufoni maRambwai. Akafunga kutomuka
achienda Chivhu sezvo amai vake vavati vatosimuka kuuya.
Takaenda zvedu nepa supermarket yaive paGombe shopping centre uncle vakati
tinonge zvataida. Vakazonotisiya zvedu kumba kwedu kunew one. Amai
vakatiratidza marooms edu ivo vakati vakubuditsa uncle Joze. Takaita our
goodbyes to uncle but was surprised kuti amai vaida kuburitsa munhu ane mota
how? Vozodzoka havo netsoka? Ahh hameno takamhanyira muma rooms edu
zvedu tichidya iwo machocolate atanga tatengwerwa.
"But Tambu why warega kuenda kumba kwenyu nhai?" Than to work like this
here dzokeraka kuvabereki vako nhai."
Amai Nyevero vakazoudza Joze how she find out kuti they were not her bilogical
parents. Joze akabatikana nazvo but he promise to take care of her and her kids and
not to take advantage of her situation .
Joze akaudzawo Tambu about his life zvakaitika, uye kuudza vabereki vake
kwaakaita. Asi mai Nyevero vakati vanoda kufunga about it first uye kutanga
vaona zvoda vana vavo. Joze akadzidzisa Tambu how to use S4 yake yaanga aisa
line ravo, vaviri vakazoonekana havo Joze akapa mai Nyevero $50 yekutenga
airtime akabva aenda hake kumba kwevabereki vake aizomuka oenda Harare.
Mai Nyevero vainzwa peace mumoyo mavo asi vaitya kuti ko vana vavo
vachazvitambira sei? Ko vakati hatidi vamwe baba? Shasha yakanetsekana kusvika
yazofunga kusvikoudza vana vavo. Vakatsvaka tsvaka zvihuni kuti vagonyepera
kusvika vane chavakabata kumba.
Amai vakazodzoka havo papera kanguva takanga tatotsvaira dzimba dzese uye
kurongedza. Amai vakati vaida kutaura nesu saka takanogara zvedu mu launch
maive nema sofa ema boss. Chitsva chedu chokwadi kutogarawo pasofa aah mwari
variko.
Amai Nyevero vakazofunga kuti it's too late to tell her kids about Joze. Saka
vakafunga zvimwe zvekutaura ,zva Joze vaizovaudza some other time.
END OF PART 25
Like our fb page Aka Heather stories for more stories and short stories .
Chapter 26
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Asi ivo mai vaitibvubza zvakadaro ivo vaivaregerera here baba vacho?
"I forgive your father long long back, only God can punish him musavenga baba
venyu handitika vanangu? He is still your father and that will never change."
Vakapindura amai asi ini mumoyo ndaingoti he was our father not still our father.
Mai Nyevero vakabvunzwa zvavanga vanzvenga kuudza vana vavo uye vanga
vasina kuzvitarisira. Vakatotsvaka nhema dzekutaura.
"Okey vanangu you know I love you all handitika? Uye handidi kukuvanzirai
anything. Zvamati baba venyu hamuchavaregereri saka tomboti someone like
uncle Joze varikuda kuita baba venyu can you accept him? Can you call him
father?"
"Mom uncle Joze he sim to be a nice person, we love him and as for me I'm ready
to call him father. Ko handiti baba vakatiramba here mhamha?"
Ndi Rue ako kakataura kachiita kufara.
"Me too mom I like uncle Joze he is such a nice person ". Ndakatsinhirawo
zvazvataurwa na Rue .
"OK vanangu I'm so happy you like uncle Joze I was worried kuti muchazviramba.
Thank you so much my daughters I promise you uncle Joze will love you as his
own kids."
"It's okey mom all we want is for you to be happy as well." Ndakapindura
ndaidawo kuti amai vangu vambofara in her life kuchema kumboperawo.
Takazobika zvedu tichifara zvedu semhuri. Uncle Joze vakafona hameno takataura
kwema hour mangani. Munhu wese akataura amai ndovakazobuda panze
vakutaura na Uncle. Hameno pamwe vavakuudzana zverudo zvaisazoita vataure
tiripo.
Mai Nyevero vakaudza Joze how her kids think about him. Joze akafara nekuti
akabva audzwa kuti akupiwa mukana wekudanana naTambu. Asi paive nema
condition akaoma but he agrees semunhu aida kuroora not kutamba. Vaviri
vakataura kusvika amai vaJose vamuti achiuya adye sadza. Vaviri vakaita ma
goodbye avo ndokukata foni.
Amai vakazouya mumba tatopedza kudya, face yavo yairatidza kufara I was happy
to see my mother smiling again after such a long time.
Amai vakanorara naNama kune imwe room ini naRue kune imwe. Veduweka kune
vanhu vane tunhu twavo. Mubhedha waive matairara uhmmm kana waamai
wakasara namarwei waisasvika apa. Kana idzo hope hadzina kutana kubata tiri
pamunyorododo wayo double bed. Ndiani aimboziva kuti ticharara pakanaka kudai
uye kugara imba inoiswa cobra.
"Nhai Joze mwanangu hauchiuya naye here musikana waunoda kuroora uyu? Tava
nechidokwa dokwa chekuda kumuona isu, ko kumbondipawo nditaure hangu naye
pafoni nhai mwanangu?"
Ndi mai vaJoze avo vanga voda muroora. Zvino vaizozvitambira here kuwana
muroora wavakatarisira aine vana vatatu? Hameno regai tione zvedu.
"Relax kani mom you know your son very well. Muroora wenyu muchamuona
zvenyu stead ne cup muchembere dhongi harikamwi." Akapindura zvake Joze
imba yese vakati bvuu kuseka. Vabereki vake vaimuda zvakapfurikidza he was
mom's boy chaiye.
Vakazonorarawo zvavo sezvo Joze aida kumukira Harare akarara aoneka nekuti
aida kunobata meeting ya 6am saka aizobuda usiku chaihwo.
Vatezvara vaMai Nyevero vakafonera chembere yacho ikanyepa kuti yawana mai
Nyevero vatoenda uye vaive vatorwa nechikomba chavo. Baba vaRambwai
vakabatikana zvikuru asi chekuita panga pasisina semunhu aivewo kure. Kuti
vafonere mwana wavo aisadaira make macalls avo vakazongosiyanawo nazvo.
Vengeance is for the Lord the bible says. Vanhu ndeve kungotarisa vachikuitira
zvakaipa one day mwari vanosangana chete navo.
Musi uyu ndakarota hope dzekuti ndega ndakamuka ndichiseka zvangu. Kurota
ndichidzidza kuboarding school in Nyevero, aaah ndokudziirwa manje uku.
Ndakamuka ndikanamata zvangu pandakaenda kukitchen ndichida kuvesa moto
kuisa mvura yekugeza I was surprised kuwana amai vakutoisa mvura mu bucket
kuti togeza.
Asi dzimwe nguva toramba takatarisa door ravharika totadza kuona rimwe rinenge
ravhurwa namwari. I thank my mother sure havana kuda kuramba vakabatirira
pamba pedu asi vakasuduruka zvavo now we are living a better life than
hwatairarama kumba kwedu.
END OF PART 26
Like our fb page Aka Heather stories for more stories and short stories
NYEVERO
Chapter 27
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
*"Sharon are you sure about what you are telling me? You mean bedroom redu
rakatsva? Ko chii chakaitika nhai, inga zvakoma?".*
Ndakashamisika kunzwa zvaive zvaitika kumba kwedu. Only God knows why,
nechemumoyo ndakati tsvatu waro mainini vaida kukohwa pavasina kurima.
Munhu idya cheziya rako uye padiki paunapo ipapo gutsikana kwete kuda zvausina
uye zvausingakwanisi ku afforder.
I thank God for my mother. Amai havana zuva ravaimbochiva upenyu hwaive
nevanwe uye vaitikurudzira kudzidza nesimba kuti tigorarama upenyu hwakanaka
husina ruchiva mukati.
Rue as Rue aingobvunza about uncle Joze all the way kusvika tasvika kumba.
Ndakazomuti Rue handigari naUncle ini how can I know if he love us? Aah
mibvunzo yacho bodo kana imo mucourt handifungi vanobvunza saRue.
Takawana amai vasipo asi madoor akanga asina kukiwa kuratidza kuti vaive
padhuze zvavo. Mu kitchen manga makabikwa zvino isu takanga takapiwa
mutemo wekuti haupakuri usina kunzi pakura. Chero Rue aiita hake imwe
misikanzwa asi zvaanenge anzi usaita namhamha aisaita. Takatovamirira kusvika
vauya.
Joze akamukira Harare kuma meeting ake. Akazoswera zvake ava muoffice
yepamba pake achitaura paApp nechiponda moyo chake. Akatozoisa foni pasi Mai
Nyevero pavakati vakuenda kugarden.
Asi haana kufara nazvo nekuti aisada kuti Mai Nyevero varambe vachishanda,
akatombovanyengerera kuti avalogere hake maMurambinda asi Mai Nyevero
vakaramba. Vaityawo kushandiswa naJoze vaidawo kutanga vaona how serious
was Joze uye kuti anovada nezvavari here, vakanga vasisade zvekunyengedzwa
zvekare.
Amai Nyevero vakavhara vana vavo nekuchinja nyaya. Asi ivo vane zvavaifunga.
Nyaya yaivanetsa vaitya kuti Ko vakazoroorwa naJoze zvaasina mwana ivo
vakanzi havachaita mwana zvaizobuda here? Joze haazodiwo mwana wake weropa
here? Ko vabereki vake iye Joze vachandibvuma here nezvandiri? Nairo bus rangu
revana iri? Izvi vaizvifunga asi vakashaya kwazvingawane mhinduro.
Marwei akamukira kwavamwene kunovaudza mashura akanga aitika iye akafunga
kunowedzera sugar pane zvanga zvaitika. Ko shasha yaidaka kuzokumbira yecomb
yekuenda Chivhu.
Marwei akatanga kusvimha misodzi, "Amai hakuna kumbonaka kumba uku, Mai
Nyevero kuuya kutipisira imba mufunge dai tisina kutozopaza kuti tibude dai
takatsviramo." Marwei akapindura uku achipukuta pukuta misodzi yenhema.
Shasha kana hembe yekupfeka yanga yasara neyaiva pamuuri same same kuhama
dzake idzi. Apa food yose yangayatsvira mumba muya kusara zvishoma shoma
zvaive mu kitchen . Apa kuti team iri ridzokere zvaisaita vanga vasiya vaoneka
saka musikana akati aizovatumira mari via ecocash asvika Chivhu. Marwei haana
kuzomira semunhu aida kuzoenda kwambuya godobori. Picture ndorarasara kuti
oriwanepi. Riya raiva ratsvira mumba.
"Aiwa dady ngatisiyanei nayo chembere iya, nxaaa manje this time tovaka imwe
bedroom yakanaka ine marata vanyatsosvotwa."
Sisi vakapindura vachibata bata foni yemurume kuti vaone kutsvaka photo riya.
Marwei akasvika pambuya paine que kwete yekutamba. Akamirira hake turn yake
ikazosvika sezvo aive wekupedzisira vakanyatsotsanagurirana zvaaida kuti mai
Nyevero vaite. Uye aida kupiwa umwe mushonga wekuti adiwe more na Rambwai.
Akapiwa wekuti adiwe more 1st akanzi aizouisa mumvura yaanenge agezesa muiri
oibikisa tea chete chete opa murume. Varume vanoda zvinhu vanombodyirirra
zvavo wee aiwa.
Taitotaura zvedu nyaya tichiseka tichitsvaka huni amai vakangoridza mhere vachiti
maziso avo haachaona.
Taka...........!!!
END OF CHAPTER 27
Like our fb page Aka Heather stories for more stories and short stories
NYEVERO
Chapter 28
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
What kind of life is this nhai mwari? I know it was someone's evil work nekuti
mwari havamboitisa munhu bofu for no reason. Ndakafunga kufonera varidzi
vepataigara to tell them zvaiva zvaitika asi ndakatya kuti ko vakabva vatidzinga
pano? Toendepi manje? Ndakazofonera uncle Joze to tell him zvazvaitika vakati
vakutosimuka kuuya Buhera. Takananaidza amai ndokunovagarisa mu kitchen
takavhara door ndokutanga
kunamata.
Marwei akasvika kumba zuva rorereka, sezvo murume wake aida tea 1st abva
kubasa, shasha yakamhanya kunogeza nemushonga uya ndokubika tea nemvura
yacho. Rambwai achisvika akatsvodana nemukadzi wake ndokubika zvake tea iya,
ko aizivei zvake ko kana mvura yane masamba handiti inongoita black?
Pasina nguva takaona light panze, ndakabuda kuona kuti aive ani? Ndisati
ndamboita nhanho mbiri ndakaona uncle Joze vachiuya vachimhanya vakabva
kabottle.
"Nyevero, mhamha varipi?"
Uncle vakabvunza handina kukwanisa kupindura misodzi yakuerera
ndakangokwanisa kutendeka ruoko rwangu mu kitchen.
Musi uyu ndakadzidza one thing, Satan anogona zvake kuda kuvhiringa upenyu
hwako asi kana mwari akaramba hapana choitika kwauri. Sure ndakazo believer
kuti varoyi variko and vanokwanisa kutokukanganisa kana usina mwari.
KuChivhu game ranga rachinja, shiri yanga yabata rekeni. Marwei akati akagara
zvake pasofa pake achitamba chikudo na baba mwana akangotanga kuona rima.
Yakaita batai batai chaiyo Rambwai akapinda busy kunyararidza mukadzi
akuchema kuti haachaona aroiwa namai Nyevero.
"Rambwai ndaroiwa nemukadzi wako kani handichaona kani!" Shasha yakademba
demba chaisazikanwa kuti zvinhu zvake ndozvazvamudzokera. Kurumwa
nechekuchera chaiko ko ndozvinoitaka mushonga kana bhaibheri rakataura rikati,
"no undeserved curse will come to rest."
Rambwai akapinda busy, kuti afonere ambuya vanga vasina foni handiti yakatsvira
mumba. Saka akazoronga kunosiya Marwei kumusha sezvo amai vake vanga
vaako aiwana anogara naye.
"Asi ndakaramba mukadzi wangu sure nekuda kwemunhu ava bofu uyu? Saka
ndichagara nebofu here ini? Zvino mai Nyevero ndichavawanepi?" Rambwai
aifunga hake akatarisana nemukadzi wake aingochema asisaona uyu.
Takadya zvedu tichifara kutokanganwa kuti tamboita bofu mumba. Upenyu so aah
hameno, uncle Joze vakatiudza zvedu ngano musi uyu tikaseka kunge
tichadambuka mbabvu. He was such a nice person. Amai vakazotiti tinovata sezvo
taimukira kuchikoro. Takaonekana na uncle vakatipa mari yekutenga ma sweets
kuchikoro sezvo taizomuka vaenda.
"Nhai Tambu who can do this to you nhai? Like seriously ndiani angabva
akuvenga kudai kusvika pakukuitisa bofu?" Joze akabvunza mai Nyevero
mubvunzo wavanga vasina kana kutarisira.
Vakaramba zvavo vakanyarara nekuti vanga vasina kana idea kuti ndiani
azvikonzeresa.
"Sorry kana ndabvunza zvisizvo shaa, anywhere the good part of it is you are now
okey. I love you Tambu nomatter what the situation I will never leave you." Joze
akataura akatarisa mai Nyevero mumaziso chaimo.
"Thank you so much Joze, I see how much you care sure may God bless you."
Ndomashoko ega akataura mai Nyevero kuti vatiwo I love you iyyy vanenge
vainyara hameno.
"Tambu sha dakuti tinoona vabereki vangu next weekend kana uchida hako asi at
1st tombosiya vana amai vangu handisati ndavaudza about vana."
Joze akataura hake asi aiziva Tambu haabvume.
"I will think about it Joze, ndokuudza zvandicha decider." Amai Nyevero
vakapindura vakushama n'ai kuratidza kuti vakuda kurara.
Joze akazviona hake akakumbira jira rekufuga akati aizorara zvake mumota
uyeaizosiya aisa jira mu kitchen sezvo aizobuda kuma 4, aida kubata meeting
kuHarare na 8am. Akapiwa hake jira akapa mai Nyevero $100 kuti vagoenda
kunorukwa kwaMurambinda or kwaMarenga.
Akaonekana nemudiwa wake ndokurara mumota make.
Mai Nyevero havana kurara vachifunga zvanga zvaitika, vakatora bhaibheri ravo
vakatanga kuverenga. Vakanamatira mhuri yavo uye kuti vabereki vaJoze
vagovagamuchirawo sezvavari.
Rambwai akamuka usiku utema kuti aende nemudzimai wake kumusha sezvo iye
aida kuzodzoka kubasa. Mota hadzinawo kunetsa kuwana kuma 7 anga atosvika
pamusha pake. Ambuya vake vakabatikana kuona mwanasikana wavo asisaona asi
chekuita panga pasina vaksiirwa $200 yekuzotenga zvakushandisa naRambwai iye
ndokudzokera kubasa. Ari mu road aingodzungudza musoro hameno zvairongwa
nekurongonoriwa.
"Nhai mwanangu ndiani akuitisa bofu kudai? Chii chakaitika usandinyepera
mwanangu ndiri mai vako."
Mai vamarwei vakabvunza mwana wavo .
Takamuka uncle vatorova pasi,hatina kuda kumutsa amai musi uyu takaita zvinhu
zvedu takazonovaoneka takutomhanya kuchikoro.
Takanyora zvedu maths musi uyu,maths kwaive kudya kwangu ndakabuda zvangu
ndichi smiler mu exam. Ndakatorana na Sharon toenda hedu kubreak.
END OF CHAPTER 28
NYEVERO
Chapter 29
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
*Patakangoti pote paseri pe block redu takawana haikona Rue achirikita kamwe
kamukomana kataidzidza nako vice headboy pamusoro pazvo ,apa vanhu vachiita
kumukuza haikona, ndakangomhanya kunobata Rue.*
"Nhai Rue kwakanaka here? Ukuroverei vice headboy? Hauzive kuti unopiwa
punishment? Aita sei wauri kurova?" Ndakabvunza Rue ndichiita sendichamuridza
nembama. Apa mukomana uya aive ongochema ndakamboda kuseka munhu
wacho aichemedzwa na Rue ne body size yake uye grade 7 kurohwa nemu grade 5
here aah.
Rue akazondiudza kuti bhudhi vaairova ava vakanga vamuudza kuti mwana asina
baba uye baba vane mukadzi bofu ndosaka anga amurova.
Mukadzi bofu? How did he know that? Ko ndaigoziveiko kuti bofu rairehwa
ndiani? Ndakazonzwa nevamwe vana vaibva kumaraini kwedu vanga vanzwawo
nemadziro committe kuti baba vadu vauya nemukadzi bofu.
Tisati tambogara ndakaona vice headboy uya achiuya pataive ari chahwiriri
haikona. Ndakatoziva kuti aive a reporter. Ndakangonamata kuti Rue asazopiwa
mutongo unorwadza.
Headmaster pavakangonzwa kuti Rue aita musikanzwa vakabva vati tsvatu waro
vatowana pekumubatira nezvaakambovaita.
Rue akapinda mu office muya havana kumboda kunzwa her side handiti anga
arova vice headboy aingonzi haanganyepi. Rue akapiwa shamhu 5 dzakasimba
ndakadongorera nepa window, ndakarwadziwa mwana wamai vangu achiita
kuyuwira neshamhu dzaairohwa. After shamhu akanzi agonhonga marara school
yard yese neku ground after school . Aah headmaster vanopa mwana we grade 5
shamhu 5? Utsinye chaihwo.
After meeting Joze akafonera amai vake kuti vagogadzirira muroora aiuya
kuzovaona weekend yaiteera. Aiwa chembere yakafara ndozvavaive vakamiriraka
kuzoona her new daughter in law hameno vaizomufarira here. Asiwo pachimiro
here aiwa mai Nyevero vanga vakaumbwa mwari vaiine nguva uye pachiso yaive
ngirozi chaiyo.
Kuti titi inguva yamwari yanga yakwana kana kuti chii hameno. Chembere yanga
yogara ichingochema kuti pamwe utsinye hwandaiitira Tambu? Asi it was too late
ka nhai yadeuka yadeuka haidyorerwi.
Umwe musi vakatogara chembere yakabvunza murume wayo,
"Ko nhai ba mwana Ko tadii tanotsvaka Tambu nemhuri yake? Ndiye ega
watatosara naye nevazukuru vedu vatatu."
Chembere yakaona kuti better imedze pride yonokumbira ruregerero kuna mai
Nyevero nekuti ndiye ega mwana anga asara chero hake aisava bilogical daughter
yavo. Vakapinda mumba vakatora ma key eka March kavo ndokurova mota
vakananga kwavaingoziva kuti ndokumaraini kwakaroorwa Tambu. Ko
vaimbokuziva here handiti vanga vasati vambokuenda neruvengo rwavaive narwo,
hameno vainotangira pai.
"Nyevero wanga wasarepi vamwe vako vane 1hr vauya ava? Wakuita
zvevakomana here iwe, unondiziva ini chihera handidi zvisina basa ndotambura
nemi pano woda kundinyadzisa here iwe?"
Amai vakataura vachitosebera kwandiri kugadzirira kundirova. Ndakaona kuti
ndikataure chokwadi Rue aizorohwa.
Ndakafunga fast fast, "Aiwa amai ndanga ndasara hangu na Sharon tichiverenga
sezvo tisisagare kumwe taverenga hedu kuchikoro." Ndakapindura nekubva
ndawedzera nekanyaya ka ndanga ndanzwa kaya kekuita bofu kwa mainini .
Amai vakashamisika ne news idzi, amai vakabva vatofonera mai Sharon kuti
vanzwe kuti chaive chokwadi here. For sure it was true marwei anga ave bofu.
Chembere yakaswera hayo kumba kwayo sezvo yaiziva kuti muroora haako.
Vemadziro committe vakazoti vadarikawo nepamba payo vakaudzwa kuti muroora
rave bofu ko kune vanotanga kunzwaka guhwa kuraini vekuti unotoshaya kuti
azvinzwa nani kupi.
Marwei akasara akafunga kuti nyaya yaigona kuzobuda kwaMadzibaba uku saka
akakumbira kamunin'ina kake kakamuperekedza kwaMadzibaba aida
kusanotsindidza muporofita kuti asazotaura Chokwadi pana amwene vake uye
kumubhadhara kuti agoti mai Nyevero ndovaive vamuitisa bofu. Ko mazuvano
mari inotongaka hanzi without money no one will like you.
Takazopedza zvedu kubika takadya tikanorara zvedu. Amai vakanamata musi uyu
takarara zvedu mu one room tese. Ko taigotyei hedu papasisinaka baba vekuti taiti
ndovanorara mu bedroom .
END OF CHAPTER 29
For more stories like Aka Heather stories don't miss any chapter
NYEVERO
Chapter 30
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
*Ndakarota hope dzakandityisa musi uyu. Ndaive pakati pa baba naamai baba
vachiti mwana wangu ndakumutora amaiwo vachiti mwana wangu, asi
pekupedzisira ndakazoona pasvika mumwe murume akauya akandibata ruoko
ndokuenda neni tikasiya amai nababa vakamira. Ndakapepuka ndizere nekutya
what does that mean?.*
Amai vakamuka vakatinamatira takubuda , Rue achingoti Amen anga atova kudoor
kubuda. Ko shasha yaizivaka kuti pamwe ndomubvunzazve nyaya yake izvo kwani
ndandatozvikanganwa zvangu. Ko ndandapindurwa magara moyo ka zvangu
pandakambozvibvunza. Handina zvangu kuita hanya nazvo ndakatevera hangu
kuchikoro ndiri ndega.
Amai nhiya vakazobuda mumota muya ndokunanaira vakananga kudoor kuya, apa
face zvayanga yakaita kuwuna wuna kunge kamunhu kanaiwa.
Amai vaJoze vakafonera vasahwira vavo vanova vaive Foster mother vamai
Nyevero kuti vazouye voonawo muroora to be, wavo next weekend. Semunhu aive
nestress dzake vakapindura kuti vaizoona kana weekend yacho vasiri busy. Ko
vanga vorwadziwaka kuona vamwe vachifara zvavo nevana vavo. Sezvo ivo vanga
vadyirwa munda sevakanga varima nyama.
Aiwa vakasvika pamuporofita pasati pazara. Vakaudziwa havo kuti amai Nyevero
ndovaive vaita muroora wavo aite bofu.
"Saka todii nhai munhu wamwari? Ndoda muroora wangu aone ini."
Tsamba yaiti,
"Kuna ambuya vanonetsa. Ini ndaenda zvekugara pano ndazvitadza uye pamazuva
andakashanda aya ndatora machongwe mairi ndonotengesawo. Musare zvakanaka
ndaenda."
Dai makaona zvakaita face yechembere iyi, ayaya maitiza. Ko vainetsawoka kuita
mushandi hazvirevi munhu atova slave yako aah anomuka akaenda. Shasha yanga
yadzokerazve pakufudza mombe. Yakazofunga kunokumbira munin'ina we
muroora one kuti ambofudza vachisanotsvaka mushandi.
Rambwai akaona kuti hope yekuwana amai Nyevero panga pasisina akafunga
kutsvaka umwe musikana wekuroora. Ko shiri ine muririro wayo hairegi zve. Kana
wakadanana nemunhu ane mhuri be prepared kuzosiwa awana zvimwe zviri nani
than you. What makes you think you will be his last bustop nhai?
"Nhai mhamha ko uncle Joze vanogara kupi uye tikunovaona here nhasi
vatitengere ma sweets ?"
Sisi vekungwarisa vakabvunza amai takagara hedu mu saloon mairukwa amai.
Amai havana kuda kutaura zvakawanda sezvo paive pane vanhu. Vakangoseka
zvavo kwaku dialler number dzaUncle Joze tikanzi titaure navo tese.
Takataura tese kusvika mari yapera uncle vakazofona back vakati vatumira mari
yedu yemasweets and ice cream pa ecocash yamhamha. Takavatenda then we say
our goodbyes takamhanya paive na mhamha tovaudza zvatatataura nauncle. Sure
kutodyawo ice cream? Aah tatakaiguma kuiona tichiriwo nababa.
Amai vakapera kurukwa iyyy ndandisati ndamboona amai vakachena kudaro uye
kunaka. Uhmmm nhamo yakaipa sure .
Takatorana zvedu naamai takunotora mari paecocash, uncle vanga vaisa $50 for us
only for ice cream . Baba vadu vaitadza kana kutipa 25$ ye school fees. Takatora
mari ndokunanga zvedu maMutomba Supermarket kunotenga zvataida.
END OF PART 30
Thank you for you support for more stories like our fb page Aka Heather stories
NYEVERO
Chapter 31
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Ndakataura ndichida kutovanzwa zvangu, aah vakatopindura wena ini aah hoo nhai
regai tione.
"Please my child forgive me, yes I'm not your biological mother but I'm your
mother please. Ndakauya ndikakushaya kumba kwako. I was worried kuti
ndichakuwana kupi mwanangu please come back to stay with us please."
Chembere iyika yaita seine bvere kuface vaisanyara chokwadi vakuda tiuye
kuzogara pamba pavaisada kuti tiuye nhasi? Ndokuona kukosha kwechikorobho
warasa mvura ka uku. Zvino pakadai ndopauno zochishaya chikorobho chacho.
Ndakaona amai vakukosora kosara I knew she wanted to say something, before I
knew it Rue anga akutopindura ambuya. Asi zvaakataurawo for sure aiwa airevesa
zvake, ko chokwadi chorwadza hacho asi shoko harivhikwi kana ratopinda
rapinda.
"Gogo saka imi zvikureva kuti makutida now nekuti hamusisina vazukuru handiti?
Ko pataimbouya pano maitidadira wani as for me handisisiri muzukuru wenyu
mbuya vangu vakafa." Rue kakataura nekubva katosimuka kuenda panze.
"Amai ini ndakakuregererai kare kare, handina kana chigumbu nemi. I'm so
greatfull to you mom nekutondichengeta kwamakaita. Uye dai ndakakuteererai
ndisina kumhanya kuroorwa pamwe dai nhasi ndiri umwe munhu. Amai kwandiri
kugara I'm very very comfortable with it. Musanetseka zvenyu amai handingauya
kukupai mutoro uyu kwandiri ndakagara zvakanaka zvekuti. Plus Nyevero akuda
kunyora final grade 7 exam yake soon saka hazvizoita kumuchinja chinja chikoro
amai. Asi pano tinenge tichikushanyirai zvedu amai."
Ndakafara kuti vaita havo amai aah ndaisada kuchinja chikoro sure.
Rambwai akanga akumwa doro zvaaisaita, stress yanga yakushanda naye. Akanga
akuita hiring and firing pamadhirezi apa kubasa anga atova pa second warning
yekurovha kubasa uye kunonoka. Zvekuti kune mukadzi bofu kumusha dzanga
dzatova ngano.
Marwei akaona kuti murume anga atomufuratira. No calls no visit apa foni. Aive
ogara achiyeredza misodzi zvekuti matama aive oita kunge pachitubu panogara
pakanyorova.
Chikafu chaifamba mumba mari ichiperawo amai vamarwei vakanga vane stress
zvino. Shasha yanga yofunga kuti zvino kuti vaizorarama sei kana mukwasha
akasauya pamba apa vanga varambidza mwana kunofudza mombe
kwavamukurungai wavo.
"Nhai mwanangu ko wadi wati munin'ina wako angoenda hake kunofudza mombe
dzamwene vako sezvo mukwasha asiri kumbofona uyu?" Amai vakabvunza
mwana wavo uyo aingofinyinyika kunge huni nyoro iri muchoto. Marwei akatoona
kuti zvaive nani munin'ina wake anoshanda hake vagowana chekubata pamba.
Saka akati aizoenda naamwene vake kana vadzoka kuzoovaona.
Joze sezvo yaive weekend akaenda kunotora dress, handbag ne shangu dzaaive
atumira from China. Uye hembe dzevana neshangu dzavo. Akazoenda zvake nemu
foodlovers achitsvaka zvaaida odzokera kumba kwake.
Takasvika zvedu kumba zuva rokutovira, hapana anga amboti ataura neumwe
nezvekwatanga tabva.
"Aah mhamha zvekuitwa ma toys nevanhu bodo, vakuda kuita sevanotida now
ambuya nekuti havasisina mwanaka. Manje ini handitombodi zvangu kana kugara
navo."
Ndi Rue uyo akapindura achitogara zvake pasi.
"Aiwa vanangu all things works together for good, dai mbuya venyu vasina
kundidzinga pamba pavo pamwe dai nhasi tisingazivi uncle Joze. Kudzorera
ndekwa mwari vanangu chero munhu akakutadzira sei musamuvenga nekuti
anogona arikutokuyambutsa to your destiny."
END OF CHAPTER 31
LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES AND
SHORT STORIES
NYEVERO
Chapter 32
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
"Pano ndavinga chinhu chimwe mai Sharon, dakuti mundipe number dzamai
Nyevero uye mundiudze kwavakugara." Rambwai akataura akatorova maserious
kani kunge munhu arikugerwa anotya kurumwa.
Amai Sharon vakatanga vafunga how Rambwai treated mai Nyevero, uye kuda
kuvhiringa kwakuda kuita upenyu hwavo uhmmmm vakanyepa kuti vanga vasina
number uye vaisatomboziva kwavakaenda.
"Rambwai ukuitei pano, and how did you find this place?"
That was the 1st time yandakanzwa amai vachideedza baba nezita ravo repachitupa
pamberi pedu. Rue naNama vakabva vabudawo kuuya panze paya. Nama
nehumwana hwake hapana kana chaizikanwa akatomhanya kunombundira baba.
Rue as Rue haapererwi, akatanga aseka zvake zviya zvoitwa uchisvotesa munhu.
"Baba kana maifunga togarira nhamo kunge bhazi reNyaradzo rwendo rwuno
makairasa, kana ndiri seni handina baba hameno vamwe."
Anga apedza navo Rue akabva atonogara zvake mumba.
Ndakamboda kuseka aah Rue anga azvifunga sei izvozvi? Asi chokwadi type yana
baba iyi ndovanhu vanoda kuzo complainer hanzi gonye randiitira tsvina iwe uriwe
warisvina Nxaa! Ndakangomirawo ndakazembera madziro kuti tinzwe zvavaida
kutaura father vedu ava. Vaifunga vatikaurisa ivo vaitotiyambutsa zvedu.
"Please my wife and my kids forgive me for what I did to you. Ndoziva
ndakakuitirai zvisingaregerereki asi ndiregerereiwo. I promise to change and to
take good care of you please please !!"
"Imi imi mune vana here zviya imi? Wamuri kuti my kids ndiyani? Hook makutida
nhasi nekuti chimukadzi chenyu chaabofu nhai? Ko zvamuri kuti you will take all
of us monotichengeta pai imi makapisa imba? Please ini hangu musandiverenga
I'm not your child anymore and.....!!!?
Rue haana kupedza kutaura agamwa naamai avo vakadaira, "Rue mwanangu don't
speak to your father like that handiitika? He is still your father nomatter what he
did to us you must not stop loving him as your father handiitika?"
Takangogutsurira musoro zvedu but inside aaah aaah baba vakadai nikisi, nadha
kurambira pachiputukesi.
Amai Nyevero for a moment vakambonyarara, yes vaishuvira kuva nevana vane
mutupo umwe asi zvakanga zvakona n'anga murapwa achida. Rambwai anga
abuda mumoyo mavo zvachose. It's not all things that we wish in life zvinoitika
zvimwe zvotoramba uye mwari ndovanoziva why zvichidaro.
"As for you Rambwai I don't want anything to do with you anymore, kana uchida
kuzoonawo vana tichazotaura about that. One more thing.....!!"
"Ummm kuchena here uku Tambu wow wow marukwa zvakanaka mai mwana."
Takatarisana na Rue tikatanga kubwibwinyika tichipinda zvedu mumba taida
kunodongorera nepa window firimu remahara iri.
Takadeedzwa na Uncle tisati tapinda mumba. Vakati totora zvinhu zvaive mumota.
Takagoita kunouya takaguguchira ma boxes e pizza tunonaka utwu neumwe tuma
khaki bags twanga twakanaka so ndokuisa hedu mumba.
Baba havana kana kuoneka takazongoona vanyangadika, hameno vonangepi sezvo
kwakwakutosviba. Hanya nani chidhoma chekwaGutu isu takamborara mugomo
wani vanonorarawo chero murwizi .
Rambwai akabva apa aine kutya uye kurwadziwa. One aitya kuti boss vakazviziva
kuti ndiye aive murume wa mai Nyevero basa rogona kupera. Two moyo wake
wakarwadza kuti Tambu akutoenda neumwe murume nekuda kwekusagutsikana
nezvawapiwa na mwari.
Kuzoti amai havo yowee ungati vakazvarwa nayo neiyo weave yavanga varukwa
uhmmmm. Takazobvisa zvedu kwakupfeka dzedu dzemazuva ose takuenda
kukitchen. Ko pizza taiizivirepi? Takatanga kuizivawo musi uyu .
Amai Nyevero vakazoudzawo Joze zvekuona amai vavo kwavanga vaita. He was
happy kuti at least ane kwekunobisa pfuma nekuti aisada kungotora mai Nyevero
as if arikutora advantage yavo.
"Ko nhai dear baba vevana vako pano vauya sei? It's not like I don't want him to
see his kids but at least I have to know about it." Joze akabvunza.
Amai Nyevero vakataurawo kuti she was still shocked how he find out about her
where about. Vakazotaura havo dzimwe nyaya vachiseka zvavo kusvika vaenda
kunorara.
Joze anga azviudza kuti haasi kunorara naTambu until arooora. Aisada kuita
zvinozoita Tambu amu doubte akakumbira blanket hake kwakunorara mumota
make. Eeh nyama sometimes inokuudza zvekuuita but as a human being you must
have self control. Kana bible rotaura about self control it's gift of the spirit. Pane
vasina here? Kkkk OK pray for it kana usina.
Ndakati ndiri kuhope ndichitorota zvangu same dream yandakaita previous day.
Uhmmmm hope idzi dzikunyatsorevei chaizvo?
END OF CHAPTER 32
NYEVERO
Chapter 33
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Chero vaive zvavo under age vavangova zuru rakapinda nyoka kare. Ko vana
vemazuvano kana ka grade 7 kanogona kukuudza zvekuti iwe wane 10yrs mu
marriage hauzvizive. Hameno kuti vana tete havacharaira vana here? Ko imi vana
amai motadza nei kuraira vana? Aah hameno chokwadi.
Rambwai haana kuda kuonekwa na mai vake akamirira kuti vabude iye ozobudawo
onanga Chivhu. Kumba kwake anga asisina kana basa nako hameno aifunga
mukadzi wake arikudiii nehubofu without love yemurume.
Shasha yakati yafamba yakanana Beatrice uko foni yakatanga kuringa. Akatarisa
akaona ndi Garden boy wake.
"Helo sir ,pane mukadzi ane mwana ari pa gedhi ati arikuda kukuonai." Akataura
mukoamana uya.
"Okey."
Joze akapindura nekurova U-turn, asi ainetseka kuti mukadzi ane mwana abvepi?
Munhu waaitofungira I x wife yake but aishaya kuti audzwa nani pamba pakagara
nekuti pavakasiyana aigara ku Zimre park.
Uya mukadzi akanzi hamupindi kusvika boss vauya. Akangogara hake semunhu
anga asina choice. Apa iye number yemba anga apiwa neimwe shamwari yaJoze
yaive isingadi kuti Joze aroore mai Nyevero nekuti aiti vane vana vakwawandisa.
Saka apa anga auya kuti anyengerere murume.
Vakakwazisana havo Joze akati ane kwaaimhanya haasi kumira. Sezvo x uyu anga
atoudzwa kuti Joze ari kutonoratidza musikana kuvabereki, aida kutoti asaenda.
"Aaah nhai baba Tino ko mungataure nemwana muri panze here? Moda
kunyanyoendepiko kwakosha kudarika mwana wenyu wandauya naye kuti muone
uyu?"
Mukadzi uya akataura achitovhura gate kuti apinde. Tino ndoraive zita remwama
wa Joze.
Vakapinda havo mumba muya, haaa mukadzi achiona midziyo yaive mumba umu,
mumoyo akati aizobva ahwinha murume back. Joze aitoda kuti amai ava vataure
zvavavinga kuchiri kuchena vafambe fambe zvavo.
"Ndauyaka nemwana kuna baba vake ati arikuda kukuona, uye mwana haana
hembe as you can see hatina pekugara saka tauya pano."
Vakapindura vachibata bata murume.
"Right pano hausi kuzogara handitika, kana iri nyaya yemwana it's up to you kana
uchida womusiya pano iwe woenda. Or woenda naye I will do everything for my
child."
Joze akataura akutoenda ku door sezvo aida kubuda.
Mai iya nekuda mari kwayaita plus aida Joze asaenda kumusha yakagaya kusiya
mwana iyo yoenda yakati saka ndakusiya mwana pano ndozopota ndichiuya
kumuona, aifunga Joze achati gara hako. Izvo kwete akatowonekwa kwakunosiwa
abuda gate. Chakazonyanyomurwadza imari yakanzi dzosa sezvo wakusiya
mwana.
Shasha yakazodemba kuti dai yati ndoenda hangu nemwana. But it was too late dai
dai haibatsire. Akatondunduruka odzokera kwaanga abva.
Ngatimboonai mai Tino ava vaive munhu akaita sei. Mai Tino munhu aida
kurarama upenyu hwepamusoro ma days avaroorwa naJoze. Yes Joze aiwana but
anga asati ane ma business zvaave now. Joze munhu aive nevabereki vane mari
even ma siblings ake aive nemari asi aisada zvekuvanetsa aida kuzviitira zvinhu
zvake ega.Ndozvakatuma mai Tino kuita gumbo mumba gumbo panze kusvika
vazorambwa nemurume. Vakatanga kugarawo nedhara ravaipengesana naro ma
days acho mhuri yaro yaive kunze kwenyika.
Pakadzokawo mhuri yedhara vakatanga kugara vega semunhu anga asina vabereki.
Pavakanzwa kuti Joze akuda kuroora uye ane mari ndopavakafunga kudzoka but it
was too late. Vanhukadzi ngatigutsikanei nezviri mudzimba dzedu. Chausina
hauna kwete kuti nekuti ngana anacho neniwo, aiwazve rarama nezvaunazvo or
work for it some things are worth working for. And some things are worth waiting
for dai vakagona kumirira nguva handiti dai vari muupfu so? Be patient asikana
woye.
"Mom you won't believe what I just heard, hanzi baba vakudanana nemunin'ina
wemukadzi wavo uya."
Ndakaudza amai vakapwatika zvavo nekuseka kuzoti Rue hatichatauri. Neniwo
chipfuva chaiva charemerwa. Amai vakazotiudza kuti vaida kunoona vabereki
vaUncle Joze zuva raitevera, isu vaizonotisiya hedu kwambuya tichivabatsira hedu
basa vozotitora vakudzoka.
Ndakamboda kuti amai tosara hedu pano nekuti ummm kwambuya ndandisina
kukujaira . Before I knew it Rue anga atodaira.
Takabika zvedu tikadya tichifara. Takati takuda kutonorara takaona mota yasvika
pamba uncle Joze vavauya asi vaive nekamwana kasikana zera raNama mumota.
Takavakwazisa nekupinza zvinhu mumba , amai vakati titore mwana anga auya na
uncle tinotamba ku bedroom kwavo sezvo vaida kutaura na uncle.
Joze akaudza mai Nyevero situation yaanga asangana nayo. Mai Nyevero mumoyo
vakatofara kuti atleast mwana waJoze avapowo vaizomuchengeta pamwe nevavo.
Joze haana kuzomira akapa mai Nyevero 20$ kuti vazoshandisa transport kuuya
kwaMurambinda ozomutora mu township after asiya hake vana sezvo vanga vati
vachanovasiya kwa mai vavo.
Tino kaitaura kaive kaRue part 2 chaiko takaudzwa zvese zvekwavanga vabva
,zvese nekuti uncle Joze ndivo baba vake. Ko mwana mudiki hasiiriri kana otaura.
Takatosvotwa pakauya uncle vakutora Tino kuti vaende. All along I thought ancle
Joze havana mhuri. Amai vakazotiudza how uncle Joze and her wife separate.
Mapudzi anowira kune vasina hari sure. Amai vakazonamata tikarara zvedu.
Amai Nyevero hope hadzina kuuya vakufunga kuti ko kana iye Joze arikunyepa?
Asi vakazongoti vaizoona nekufamba kwenguva sezvo pasina zvizhinji zvavaita
naye.
Kunze kwakakasira kuedza musi uyu takageza nekuchena chena zvedu toenda
Murambinda netara. Amai vakatirongedzera hembe dzekuchinja ko afamba
apotaka hauzive zviri mberi. Amai waizomboti ndivo here iiiyyy vavakachena
kani. Ndopandakaona kuti baba vaishungurudza amai chokwadi. Apa waitoti
hameno kamusikana kepi ndakangoti pamwe ndozvinoitwa panoenda munhu
kunoona vabereki vemurume. Kkkk ko isu tatakuziva ka nekunzwa mashamwari
Kuchikoro uku, dzimwe nguva taitonodongorera kana mai vaina uncle kuti tione
nekunzwa zvavanenge vachiita.
Amai va Joze vakamukofonera sahwira wavo vanova mai va mai Nyevero kuti
vauye kuzoona muroora. Sahwira wavo akati aizouya apedza hake basa rake
repamba.
Mai vamai Nyevero vakatotya kubvunza kuti mukwasha ku Chivhu here sezvo
vakanga vaudzwaka paya kuti akarambwa. Ko vaivozivei kuti mukwasha mwana
wasahwira wavo?
END OF CHAPTER 33
NYEVERO
Chapter 34
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
*Amai pavakanga vapa gate kuti vabude Rue agoti kudeedzera kuna mhamha
hanzi muti uncle Joze vatitengere ma sweets. Aah kuita mweya wedzvimbo chaiko
wekuti munhu akangopinda mu bus or mu comb akutodeedzera airtime nepa
window iye anga aripo panze akarega kutenga. Amai vakanga vatiti tisataure
anything kuna gogo vaida kuzovaudza about uncle Joze at the right time .*
Mai va Joze vanga vagadzirira zvese vapedza muriwo wekuti muroora agobika
vaive vatengwa rino ziJongwe. Tino kaiva kapfekedzwawo kachena haikona.
Chokwadi vanga vakuda mwana wavo aroore hameno pavaizoziva kuti Tambu uyu
ane mhuri vaizozvitambira sei amai ava.
Joze akabuda onotora chiponda moyo chake kusaloon sezvo vainokamwa kamwa
musoro. Zve make up vanga vasati havo voita madam, plus uchinoonekwa kumba
kwevanhu hauise make up yedu yemazuvano iyi ye colour blocking. Aah amwene
vanotokubisira ma marks uchiri pa door. Kungoti mai Nyevero vaive ne natural
beauty kani vakangozora tuvanishing cream ne vaseline pamuromo along side
short weave yavo aah waiti asi vadonha mundenge kani?
Mai Nyevero vanga vakarova zvavo iya inonzi simple but smart. Ko kuchena haisi
make up kana kupfeka mazi heels or trouse aiwa. Vavakapfeka dress ravo rakabva
China ne flat shoe yacho along side handbag yakafanana nedress.
Mwana mudiki anogona kungokumakisa sure . Joze akaona kuti pakuda kushata
apa. Akati Tino aende panze anotamba asiye vanhu vakuru vambotaura.
"Aah zva Tino here mhamha kamwana kanogara panext pemuroora wenyu uyu
kaakaona nezuro patakapfura nako." Akapindura Joze akugadzirira kupa
maintroduction.
"Eeh, chiregai tombosvika pakuzivana, baba na amai uyu agere apa uyu ndiye
musikana wandaikuudzai nezvake wandooda kuroora zita rake anonzi Tambudzai,
Tambu ava ndo baba na mai Matsvai ndivo vabereki vangu ava."
Joze achipedza amai Nyevero vakasimuka ndokupfugama voombera vabereki
vaJoze.
Nekusaziva kuti Mai Matsvai na mai vavo vaive ma friends mai Nyevero
vakataura surname yavo uye mutupo we Moyo.
"Unoreva Mapako iyo yeku irrigation here nhai mwanangu?" Vakabvunza amai
vaya.
Baba vaJoze vaiziva kuti mukadzi wavo shamwari yavo anonzi mbuya Kupa, asi
vakanyumwa kuti Tambu anogona kuva mwana wasahwira wemukadzi wavo.
Vakakasira kupindura Tambu asati apindura.
"Nhai mai bhoi madii mapa muroora mvura kukupisa uku mozouya motaura
nyaya?"
Amai havana kuita nharo vakanoratidza muroora zvekubika ivo ndokudzoka havo
kwakugara vachiona TV nemurume wavo. Uyu Joze akaenda ku kitchen
kunotandadza umwe wake achibika. Mai Nyevero kubika nemagetsi vaigona havo
semunhu aimboshanya kuchirungu vachiri na Rambwai.
"Ko why mavhara vhara amai paya nhaiwe? Are you hiding something?"
Amai Nyaevero vakabvunza Joze iye akavaudza chokwadi kuti baba chete
ndovanoziva kuti she was married before, amai vanga vasati vakuziva.
Vaizovaudza neimwe nguva not now.
Amai Nyevero vakabvumira havo but vanga vane stress. Kunyepa was not her
portion. Vakazotaura havo ma plans avo ekuroorana.
Joze akaudza Tambu kuti aida kumutora ne white wedding for her to forget her
past experience. Mai Nyevero vaingogutsurira asi mufaro vanga vasisina. Vakaita
sevachapisa poto yechicken nekufunga kuti ko ivo Mai Matsvai vakavaramba kuti
vaite muroora wavo vaizodini? Asi hameno kuti why vabereki vachiwanzoramba
kuti mwanakomana wavo aroore returned soldier. Asi kana ari mwanakomana ane
vana anobvumirwa kuroora mhandara.
Hameno kuti vanoti vasikana ndovakapusa here vanoda second hand husband?
Vabereki must stop that mentality chokwadi, bcz as long vairi vadanana imi
mopindira kuti zvidiii?
Ambuya vaTino vakanga vasisina kugadzikana nekuda kuziva about Tambu uyu
paaibva chaipo. Shasha yakanonga ma key ebenz yavo ndokunanga kwsahwira
wayo. Sezvo vanga vasina kuzouya kwavanga vavadeedza.
Marwei shoko rekuti murume wake akudanana nemunin'ina wake rakasvika mune
dzake nzeve. Ko vemakuhwa chero vachinyepa shoko rongosvika. Akaperekedzwa
nemunin'ina wake mudiki kuenda kwamwene vake aida kunozvinzwira from the
horses mouth.
Kana ivo vamwene vacho vakashaya kana remuromo. Marwei akakumbira foni
yavamwene kufonera Rambwai akafona akamuudza kuti she was going to sue him
nezvaakaita ndokukata runhare.
Amwene ndovakazonyengerera muroora kusasungisa mwana wavo. She promise to
talk to him herself. Vamarwei vangu nekupusa vakabvuma. Hakuna mubereki
anoda kuti mwana wake asungwe chero iri mbavha. Moyo wekubereka
unotomborwadza. Asi iyi Chembere yanga yotofunga kuti pamwe mainini ava
vaizoita mwana mukomana saka yakadefender mwana wayo.
Rambwai akanga ongonzwisa tsisti pese paari. Ko iko kuonda kwaanga aita hake.
Akabuda akaenda zvake kubhawa aingova ne $1 regondo. Akazobva kubhawa
kuya anekamwe kapfambi vanga vawirirana kuita a havo short payer. Apa kana
cent anga asina hameno aida kubhadhara ne stress here?
Vakati sisi vakuda havo mari voda kuenda, Rambwai akanyepera kuzungaira
kutsvaka mari muhomwe maaiziva hamuna.
"Sorry sha ndinenge ndatobirwa mari ini kubhawa uko handichaiona ufunge."
Rambwai dzakataura dzakatoperera zvadzo.
"Zvakanakai bhundi but you must be sorry for yourself nekutsvaka rufu
kwamaita."
Akapindura pfambi uya achitobuda kuenda.
Ngatimboonai kuti vanhu vese vakaitira mai Nyevero utsinye vakazoguma vadiii.
VaMutema munda wakasakurwa na mai Nyevero umwe musi mombe dzavo
dzkapoya dzikadya chibage chese apa ndopavaitotarisira. Sabhuku dhongi
rakangomuka rakafa ratungwa nemombe mudanga mavo. Rambwai namarwei
hatichataura shuwa bhaibheri rinoti vengeance is for the Lord harinyepi. Nekuti isu
vanhu venyama tinenge totoda zvehondo asi mwari vane nzira yavo yekuita
zvavanoda. "His ways are not our ways and his thoughts are not our thoughts."
Mai Matsvai vakasvika pamba pasahwira wavo pakakiwa ne gate ne gate asi mota
yaivemo mukati. Vakazama kufona asi foni yaisadairwa hameno kuti yaivewo pai.
Vakamira vakati vachauya havo pane pedyo pavaenda.
Takati ta..........!!.
END OF CHAPTER 34
NYEVERO
Chapter 35
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Joze zvaakashaya amai vake akavafonera vakati vavamhanya pama shops pane
zvavaida kutenga asi vakutodzoka, apa ndopavaive vasvika pasahwira wavo
havana kuzombogara vakaoneka ndokumhanya kumba.
Vakazotenga havo kagrocery kekuti mai Nyevero vanopa mai vavo nema
chocolate evana. Sezvo mai Nyevero vanga vasati vaudza mai vavo about Joze
vakadzasirwa nechekure vakati vaizomufonera kana vakuda kutakurwa kudzokera
kumba kwavo, vakazofamba zvavo netsoka kusvika kumba.
"Vanofara zvavo amai ndovandipa grocery iri hanzi ndikupei ". Vakapindura
vachitambidza amai vavo pasuru yavo.
Amai vakatenda havo mwanasikana wavo. Akazovaudza kuti ane nyaya yaaida
kuvaudza. Mai Nyevero vakatsanangura zvese zvakanga zvaitika kusvika vazobva
pamba paRambwai. Vakataurawo kuti mukwasha wavanga vanoona he is the new
man in her life uyo vaizouya naye kuti avaonewo.
Mai vavo vakanga vagara vakavenga Rambwai. She was happy kuti mwana wavo
akuwana murume anomuda little did she know kuti mukwasha uyu aive ani.
"I can't wait to see him my child all I want is for you to be happy and enjoy your
marriage." Vakapindura mwana wavo. Vairi vakazotaura dzimwe nyaya uye mai
vavo vakavati vamborarawo pamba pevabereki vavo vozoenda zuva raitera. Sezvo
yaive weekend amai Nyevero vakabvuma zvavo uye vakafonera Joze vomuudza
kuti aizovatakura zuva raitera.
Amai vakatiudza kuti taizorara kwambuya musi uyu takafara kani ko taifarira
kuona TV zve kwedu kumakudo taiizivirepi TV? Takaendwa nesu kuma shops
nambuya tikagotengerwa kese kataitaura dozvoda Rue ka zvekudya izvi, akanga
atova ka handbag kambuya kana kuregererwa ndofunga vanga vatoregererwa.
Takazodzoka zvedu kumba tumatumbu twati tananana kuguta. Kana sadza takati
takaguta. Tairiisa pai tata spoiliwa nambuya kuma shops?
Mai Matsvai vakasara vakaudza mwana wavo kuti muroora vanga vamufarira,
tsika nehunhu anazvo. Joze akafara kunzwa mashoko aya from his mother asi
chachasara kuvabudira musaga votaura chokwadi about Tambu uyu. Mai vaJoze
vakaronga kumukira kwasahwira wavo moyo wavo waivaudza something but she
didn't figure it out. Vakazowonekana zvavo nemujaya wavo vonorara.
Semunhu aive asina foni vakashaya zano, kuti vamhanye kwamwene vemwana
wavo vasiye chitunha chega usiku mumba zvaisaita vakatomirira kuti kuchene.
Marwei waenda the wages of sin is death . Be careful what you do or whom you
play with .
Amai vakagumira panzira makadii henyu yavaida kuita kumuyenzi wambuya uyu.
Ndakaona vashama kuratidza kuti vaziva munhu wavaida kumhoresa. Ivowo mai
vaya vakangoshamawo kunge vachapindwa nenhunzi.
"Ko mukagoita semazivanazve nhai?" Ambuya vakataura vakatarisa amai ivo amai
hapanawo chavakataura.
"Sahwira uyu ndiye mwana wangu musikana wandandichitaura uyu uye ndiye
amai vevana ava."
Ambuya vakaenderera, to my surprise amai vaya vakangosimuka pavaive vakagara
nekutora kabheki kavo havana kana kuoneka ndokutopinda mumota mavo voenda.
Amaiwo vakangomhanya mu spare kwakunozvivharira kwakutanga kuchema
varimo. Ndakaita maths 1+1 ikaramba kubuda ndakatoshaya kuti ko zvii
zvazvakuitika.
Vanhu vakazotanga kuuya kunhamo kumba kwa Rambwai makuseni chaiwo. Mai
vaRambwai rakazosvikawo kwavari shoko vakaendawo vakadungamidzana
nemunin'ina wa Marwei uyo aingovungudza kuchema.
Semunhu aive asina kuenda kuhospital uye anga amwa roga chitunha chaive
chotokanda kamweya. Vaive vangomirira kusvika kwaRambwai vonoviga munhu.
Tsamba yaiti :
"DEAR RAMBWAI, MURUME WANGU NDAIKUDA NEMOYO WESE ASI
PANDAKANZWA KUTI WAKUDANANA NEMUNIN'INA WANGU I
DECIDE TO TAKE MY LIFE. KUBVA ZVANDAKAITA BOFU HAUCHINA
BASA NENI, UYE I'M SORRY MWANA WEDU NDINI NDAKAURAYA FOR
THE SAKE YEKUTI USANDIRAMBA SEZVO WAIDA MWANA
MUKOMANA. RAMBWAI NDINI NDAIKUSHANDISIRA MUSHONGA
KUTI UVENGE MHURI YAKO, GO AND ASK FOR FORGIVINESS TO
YOUR FAMILY. KUNEMI AMAI NDINOTI PEKAI TUBHEGI TWENYU
MUDZOKERE KUMBA KWENYU, UYE MUSAFUNGA ZVENYU KUTI
NDAURAWA NEMUNHU. NDAKARUMWA NECHEKUCHERA INI,
NDAKAENDA KUN'ANGA NDAIDA KUTI MAI NYEVERO VAITE BOFU
ASI ZVAKANDIDZOKERA NDINI NDAKAZOITA BOFU. UYE APA
NDAMWA ROGA NDIKAPISA CHIGUBHU CHACHO. MUSARE
MUNYASHA HAMA DZANGU UYE NDINOTI MUSAITA UTSINYE
SEHWANDAIVE NAHWO NDATENDA.
Vanhu vese vaive panhamo apa vakakatyamadzwa nezvaive mutsamba umu. Uye
vakasimuka rumwe rumwe vodzokera kudzimba dzavo.
Rambwai akachema mhere yakatyisa vanhu. Vanhu vakafunga ari kuchema mufi
izvo kwaani aitochema mhuri yake yakadzinga pamba nekuda muroyi wake uyu.
Vakazosara voviga mwana wavo vega vanhu vese vaenda . Chembere iya
yaidedzera kuti mai Nyevero muroi yakanga yazopfava manje after tsamba
yakaverengwa iyi.
Rambwai akatozonorara kwa mai vake zvaisaita kuti arare mu one roommo
naambuya vake vasina kukwana ava. Uyuwo muni'ina akateera tsvee kuchema sisi
changa chiri chemba sure. She threaten to sue Rambwai akaramba kurara naye uye
kuti vadanane.
Rambwai anga asina choice than kutobvuma. Akatoudza amai vake kuti ndiye
amuroora uyu. Chembere yaingoda muzukuru komana kubva kumwana wavo
wedangwe uyu yakangobvuma, uye akanzi aizogara navo pamba sezvo vavasati
vawana mufudzi wemombe.
Mai vamai Nyevero pavakaona sahwira wavo zvakanga aita nezvakange zvaita
mwana wavo vakaziva kuti something is wrong somewhere .
Takano.............!!!.
END OF CHAPTER 35
Chapter 36
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
*Takanomira pamadziro sevanhu vaida kuzivawo kuti chii chainetsa amai vedu.
Amai vacho vaibvunzwa nambuya kuti chii chainetsa asi vaisapindura asi
kutowedzera kuchema. Ndakava nekushungurudzika kukuru ne situation yaive na
mama vangu. Ndakamhanya ku kitchen kwaive ne foni ya mama ndikafonera uncle
Joze ndaida vauye . Foni ya uncle yaingorira hapana aidaira ndakadzikana
ndangosiyanawo nazvo.*
"Nhai mai Nyevero mwanangu hona vana vako vatosuwa nezvauri kuita izvi, chii
chikunetsa?"
Ambuya vakabvunza amai.
"Mhamha zvakaoma!!"
Amai va Joze vakasvika kumba mwana wavo atovamirira sezvo anga oda kuenda
zvake kunoperekedza chiponda moyo chake. Ko aiziveiko kuti kwaita hondo
yemadzviti?
"Handina mwana anoroora munhu akuziva kutonga vamwene ini, never never
never handidi zvangu. Joze hw could you date such a cheap woman? Why tell me
my son kana wakatadza kutsvaka musikana ndikutsvakire ku church uku? Ungada
kuroora munhu ane vana vatatu? Washayei nhaiwe? Plus ungada kuroora mwana
wa.....!" Havana kuzopedza kutaura vafunga kaviri.
Chemebere yakaenderera neku paumba kwete kutamba uku baba nemwana vaive
vakatarisana zvavo.
"What's wrong with it nhai mai bhoi? Saka iye Joze wedu zvaaine mwana uyu
haacharooraka nekuti ane mwana? What the different apa?"
Baba va Joze vakazopindirawo vaona kuti mukadzi wavo akutoenderera
semupendero wehembe.
"Mwana one anonzwisisika zve kwete vatatu. Aah vana vanotozadza kadoma
kecomb bodo ndaramba. Joze will not marry that woman kana ndichiri mupenyu
pamusha pano."
Amai va Joze vakataura vachitofamba kuenda ku bedroom kwavo kunorara.
Sure wotoshaya kuti saka munhu ane vana vake vakawanda hacharoorwiwo here?
Ko kana ndadiwa ndadiwazve nhai. Votoita kunge ndivo varikuzogara nemukadzi
wacho or vana vacho.
"Don't worry sonny your mother will calm down sooner or later but everything will
be fine."
Baba vakapa mashoko enyaradzo kumwana wavo uyo wavakaona kuti aive
akuzvidya mumoyo .
Zvo stressa sure kunzi usaroora munhu waunoda aah unogona kutorwara .
Vabereki sometimes vanotikanganisira vanokurambidza kuroora waunoda then
woroora wavanoda ndodzimba dzozogara dzine ma problems. Because uyu anenge
achingofunga waakarambidzwa kuroora or kuroorwa naye. Vabereki dzidzai
kusapindira pama affairs evana kana va mature to make their own decision.
Better munhu azvichuzire bhutsu yake ega kana yomushinya hapana wanozo
blamer. Amai va Joze vakatendeuka vakati,
"Manje ndabvako kumba kwemukadzi wauri kuda kuroora, if you want peace
siyana naye nekuti handidi kukanganisirwa ushamwari hwangu na mai vake."
Joze akatora foni ndokuzama kufonera Tambu asi foni yaisadairwa, pakarepo
pakapinda call from mai Tino asking him to bring Tino back hameno zvavaitaura.
Akangoti okey nekukata foni neku mhanyira kunopinda mumota kuti amhanye
kwana Tambu ko aikuzivaka sevanhu vakadzidza vese ku primary iye zvake aive
mberi ne 2 classes.
Ukuwo mai va Tambu vakamboda kuudza Tambu kwaive na baba vake asi vakatya
kuti aizovarasa onogara kwa baba vake sezvo aive munhu ane mari dzake.
Ambuya vakati vaizotaura na mai va uncle about it. "Ndafara kuziva kuti ndiwe
ukufambidzana nemwana wangu Joze, you are my friend's son I know you have
good values and I'm sure my daughter will be happy for the rest of her life Don't
worry about your mother I will talk to her she was just shocked don't worry okey."
Ambuya vakaenderera.
Atleast now ndandakuziva why mhamha vaichema? Saka amai va uncle na gogo
vagara ma friends nhai okey. Amai vakazodeedzwa na gogo vakauya
vakavavimbisa kuti everything will be okey. Amai vaingogutsurira musoro but
vairatidza kuti vari stressed.
Hatina kuzombogara zvakanyanya takabva tangooneka nekuenda. Sezvo uncle
Joze vaida kuenda vachitora Tino takaenda nekumba kwavo. Vakanopaka mota
panze pe gate ndokunotora Tino.
Joze zvaakasvika haana kana kunooneka mai vake vakanga vakarara. Akaoneka
baba vake vakatomuperekedza kusvika pa gate vachinooneka muroora wavo.
Baba va Joze he try his best vaisada kuti mai Nyevero vanyanyofunga about
zvakawanda. It was just a phase yaizodarika.
Tichisvika kumba uncle vakati tisare tichitamba na Tino ivo vaida kumbonotaura
na mhamha.
Before she new it Joze akakarika muromo wake wapane wamai Nyevero. Instead
yekuramba she respond as well.
"I'm sorry Tambu I didn't mean to do this sha zvangoitikawo." Joze akataura
akutya kurambwa but he was suprised ne answer yaakapiwa . Vairi vakazotaura
zvavo dzimwe nyaya uye Joze akati aizonoroora December whether her mom like
it or not.
Vakazodzokera kumba sezvo Joze aive akuda kudzokera Harare.
Amai va mai Nyevero vakasara vakafunga how to convince her friend kuti asiye
vana vadananane. Vakazofunga kuudza sahwira wavo about her ages secret kana
vazoramba vakaoma musoro. Vakafonera sahwira wavo asi haana kuzvibvuma
nekuti aiti no one will believe you now. Ndozvakaipa kuudza mashamwari edi
madeep secret, sometimes they will use it as a weapon against you one day.
Ivowo amai va Joze vaingodaro zvavo asi secret iyoyo ikabuda vairambwa straight
uye vaisatoda ibude. Musi uyu kana sadza havana kuzodya vadumbirwa ko handiti
vaida kuzviita muninja uku mwana wavo akavafonera akavaudza kuti as long
musati makuda musikana wangu handiuyi kumba kwenyu.
Apa nemadiro avaiita Joze vanga vapinda panguva yakaoma chaipo. Vakafonera
vana vavo ve UK vachivaudza zvazvada munin'ina wavo vese vakavati moyo muti
amai unomera pawada as long vachidanana zvavo. Chemebere yanga isisina
wekuudza asi yakabheja kuti mwana wavo haaizoroora munhu ane vana vatatu.
Mazuva akafamba tikavhara zvikoro Rue as usual aive pa number 1mu class mavo
and in grade, ini ndaivewo pa number 2 mu class medu zvese ne grade. Takanga
tanzi na uncle Joze tikapasa vaizotitora for holiday.
Sezvo pamba pataigara vanga vasina kurima nekushaya munhu pamba pavo, amai
vakakumbira varidzi vepataigara kuti tiende ku holiday vakabvuma zvavo.
Ndakanga ndisisina kana kugadzikana nekuda kunoonawo inonzi Harare yacho
yataingonzwa nembiri kunaka.
Shamwari yaJoze paakangonzwa kuti amai vake vakaramba mai Nyevero akatopa
mai Tino pressure kuti vadzoke pamurume. Kuudzawo Shamwari kese kese
kwakaipa. Joze aiti arikuwana kwekuturira mutoro yake izvo kwete sahwira
aitoenda kunopa full information kuna X wake.
Mai Tino vanga vakugara vari kuoffice or kumba kwaJoze vachikumbira mari
vakahwanda naTino. Aingoti mwana ati akuda chakati chikuita mari yakati. Joze
akatanga achimupa asi akazodzikana ati apiwe $500 only monthend oita zvoda
mwana ipapo . He warned maiTino not to come kumba or kuoffice kwake again
without his approval.
Ndokugarikazve uku kupiwa hako 500$ wakagara aah. Asi pakadai unenge waku
regreter all your wrong doing but unenge wakanonokera colgate mazino achiora
zvawo.
Day rekuti uncle vauye kuzotitora rakasvika. Musi wekuti tikuenda mangwana
handina kana kurara ndichifunga rwendo rweHarare.
Joze akafonerwa akuda kutobuda kuChivhu branch kuchinzi kune munhu anetsa
pabasa. Akati aizopfuura nako akubva kwaMurambinda sezvo aida kushandisa
Hwedza road kuenda kumusha aida kutanga aona baba vake ozoenda kunotora mai
Nyevero nemhuri yavo.
Hatina kuzombomira uncle vakati vaienda neku Chivhu ku shop kwavo kune
munhu ainzi anetsa wavaida kunodzinga basa uye kuti awekerwe package yake
aende zvake.
Joze akapinda mu office ma manager wepa branch apa akamboita paper work
yaiita. Akazotuma munhu kudeedza Rambwai. Rambwai paakangonzwa kuti
ukudiwa na boss kuoffice kwa manager, instead yekuendako akatora ka bheki kake
ndokurova step yekutitotiza chaiko.
Takati tagara gara ndakapinda mu shop muya na Rue taida kunobvunza toilet
zvedu.
END OF CHAPTER 36
NYEVERO
Chapter 37
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
*Ndakanzwa Rue akundikwenya kwenya ndakashaya kuti ko sisi ava vakuda
kupuller ma stunts apii.*
Amai Nyevero zvavakasara vakafonera zvavo amai vavo telling her about the
holiday kwavaienda. Amai vavo vakafara kunzwa mwana wavo achitaura
nemufaro kudaro. Chavaive vongoda kuti mwana wavo awane love yaakashaya mu
1st marriage yake.
Joze akagara for about 20min aone hapana kana munhu. Akanga afunga kupa
Rambwai another chance but he didn't show up. Vakazobvunza munhu wavanga
vatuma kudeedza Rambwai akati iye paaudza Rambwai zvavaive vamutuma
angotora bag rake akaenda kumba.
Joze akaita hasha akabva audza manager wake kuti aendese zita raRambwai ku
accounts kuti awekerwe mari yake yese uye apiwe mari yake full salary yemwedzi
wanga usati wapera iwoyo obva asiya zvake basa.
"Can you imagine was here to see one of my workers hanzi arikingononoka kubasa
uye rough nemwamwe maworkers pano. Ndandatomunzwira tsitsi ndafunga
kumuisa kubranch rekuGweru uko, but guess what haana kuuya pandamudeedza
kuoffice, hanzi abva atoenda kumba ndabva ndatoudza manager kuti from
tomorrow munhu iyeye ngasashande atowekerwa twake twese aende zvake.
Anange ane demon renhamo handingaipedzawo ini." Uncle vakataura vachiratidza
kusvotwa.
Somewhere somehow my heart tells me kuti munhu airehwa ndi baba but to ask
uncle iyyy ndakazeza.
Amai Nyevero vakamboda kubvunza mudiwa wavo about Rambwai asi vakatya
mood yaaive anayo vakangoti will ask him one day akafarisa. Rue musi uyu akaita
good girl sezvo amai vavo vanga vavaraira kunoita hunhu kumba kwevanhu or else
vaizodzoka holiday isati yapera vakangoita musikanzwa.
Chembere ndoyakanga yakuita basa rese repamba muroora akagara. Kuhuni vainzi
muuye nadzo kana makubva kumombe. Iye muroora aiswera akagara zvake basa
raaigona ku fryer mazai ehuku odya amwene vari kumombe.
Takazosimuka zvedu takananga paguta guru apo ndisu uyo ndakaona pakanzi
welcome to Harare ini hoo nhai. Ndaive ndakanyatsotarisa nepa window kuti
ndinyatsona Rue na Nama vaive vakutorota zvavo.
Joze akatofonera sahwira wake kuti agosvika kumba achiona her wife to be and
kids. Sahwira akangobvumira asi akabva atosvitsa shoko kuna mai Tino kuti
vaende nemwana voti arikurwara.
Takasvika paiita kunge pashop pemota, ndakaona mota dzese dzaisiuya nauncle
Joze nedzimwewo dzatanga tisati tamboona dzakapakwa mune chimwe chishade
so. Ndakatomboda kuti asi uncle vanosikumbira mota dzotengeswa kuti vauye
nadzo, ko ndaizivei zvangu.
"Here we are girls this is uncle's house and you are going to stay here."
Uncle vakataura vachivhurira door kuti tidzake vasikana vakanga vazomuka zvino.
Veduwee imba iyoyo yanga yakakura uye yakanaka exactly like a massion
yandakamborota paya uhmmm sofa raivemo uhmmm.
"Come girls this is your room Nyevero and the next one ndoyako Rue then mom
naNama you sleep upstairs come come ndikuratidzei."
Uncle vakataura vachitokwira ma steps ndakasara ndichiringa ringa room yanga
yanzi yangu kkkkk imi ndakamboti asi ndikurota. Maive ne TV yaive kumadziro
pamwe paibuda mvura maita semu zidish aah ko ndaizvizivirepi zvangu. Kana kwa
gogo kwaive kusina chidish chakadaro uye kwaive kusina pekuvhura mvura
sepaive pamba apa. Ko ipo pa bed paikwirwa nema steps. Veduweka!
Joze imba yake yaive ne 3 bedroom pasi ne 4 bedrooms pamusoro. Yake bedroom
yaive upstairs asi apa anga akaita kuti igorara mai Nyevero naNama iye
aizoshandisa 3rd bedroom yaive pasi. Aisada kuti vana vagofungira zvisizvo uye
he wanted to avoid miyedzo.
Amai Nyevero chirungu vaichiziva zvavo so she was not moved nezvaive mumba
maJoze.
"No uncle hatizivi panovharwa sei apa ndavhura nemistake." Sisi vakapindura
ndisati ndatombofunga zvekutaura.
"It's okey girls ndandatouya kukudzidzisai how to operate zvese zviri muma
bedrooms enyu."
Uncle vakazotiudza kuti chiya harisi dish I tub mogezerwa. Vakatidzidzisa zvese
havo, takanoratidzwa ku swimming pool kwese kwese takaratidzwa. Paida
kudzidziswa uncle vaitiudza how to operate.
Mai vaJoze vakati vaenda zvavo kuma shops ndiye dhuma dhuma nababa
vaTambu. Vakagovaudza zvese zvakaitika uye kwaive nemwana wake.
Baba va maiNyevero was non other than Bla Lodza. Well zvakaitika Bla Lodza
munhu akagara aingoita zvema baby sezvo aive munhu ane tumari twake. Bla
Lodza vaive nema service station around the country. Dzimba idzi vaive nadzo
everywhere asi Mamurambinda vaimuda ndomaivaigara zvavo.
Bla Lodza vakasvika baba na mai Mapako varipo zvavo. Vakataura nyaya yavo
kuti vauya kuzoona mwana wavo uye vaizodawo kuve neukama naye sa baba
vake. Asi kumutora vakati havaizomutora.
Vekwa Mapako vakawirirana havo nazvo, asi Bla Lodza vakanzi vaizodeedzwa
kana mai Nyevero vadzoka ku Harare. I wonder how was he is going to react after
vaona kuti ndiye munhu wavaida kumborara naye.
Jira ranga rava ravo mai va Joze kufuka kana kuwarira. Chokwadi zvinonyadzisa
kuzorambirwa zvinhu zvakaitika years back wakura uhmmm vana mai ka
ngatisadaro mhani.
Ndozvavaida kurambidzira mwana kurooraTambu because of her selfish deeds
shame. Wotoshaya kuti ko zvavaivewo nemazimari kukunda Bla Lodza. Rega
zvinzi moyo wemunhu wakaoma ivo mai ava ndovanotoziva why vaizviita.
All I can say pamba panga pakanaka ipapo. Takazodzokera zvedu mumba
takanodya food iya yakanga yatengwa na uncle.
Takati takuto..........!!!!
END OF CHAPTER 37
LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES AND
SHORT STORIES
NYEVERO
Chapter 38
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
*Takati takuto cleaner zvedu mumba matanga tadyira kwakabva kwaita ziknock
padoor. Ndakatombovhunduka nekuti knock yacho yaityisa, uncle vakasimuka
vakanovhura zvavo door riya. Munhu wandakaziva ndi Tino aive akaberekwa
kumusana neumwe mukadzi apa vaive nezi monarch pa side.*
"Kwakanaka here nhai mai Tino kwamafamba nemwana usiku huno? Ko
mukagenge mune mikwende what's going on here?"
Uncle vakabvunza mukadzi uya ndakabva ndaziva kuti ndovaive mai Tino ava.
"Nhai murume wangu handiti ndakati ndikudzoka nhasi here, asi wanga usisade
kuti ndidzoke? Ko vana ndevaniko ava? Asi vana tete ve UK vakauya kani? Inga
hamuna kumbondiudza nhai dady?"
Amai Tino vaya vakataura vachitopinda mumba kunogara pasofa wena.
Pfungwa dzangu dzakatanga kugaya kuti saka uncle Joze vaive nemukadzi nhai?
So what are we going to do? Amai vakangoramba zvavo vakagara, Tino
kakatomhanya paive na Nama. Avawo uncle vakanga vangomira vashama muromo
hameno kuti vaifungeiwo vari pa door ipapo.
"Right mai Tino, uyu ari paside pangu uyu anonzi Tambu or mai Nyevero ndiye
achava mai vevana vangu soon. Tambu sha uyu ndiye mukadzi wandakaramba uya
uye ndvo amai vaTino so handisi kuziva why auya pano nemikwende iyi? Mai
Tino you are free to tell me and my wife to be zvamavinga pano kuchakachena
muone kufamba."
Joze akataura akatorova zvake ma serious.
Mai Tino nyadzi ndodzakanga dzovabata hino. Ko iro godo vakaita sevachamedza
mai Nyevero vaive vakanyura zvavo musofa vakazvinyararira.
"Aaah ndandati ndimbouya kugara zvangu nemwana kuholiday plus arikungorwara
rwara Tino."
Vakapindura mai Tino vatoona kuti nyaya havaihwini iyi.
"Matogona mauya naye anombotambawo nevamwe vake holiday sure ,imi you are
not allowed to stay here so tipei henyu hembe dzake Tino tikuperekedzei kuma
comb uko kusati kwasviba."
Amai Tino havana
kuita nharo vakatora hembe dza Tino ndokupa baba vacho, sure vakaperekedzwa
na Joze na mai Nyevero nemota kunosiiwa kuma comb aienda town. Shanje
dzavainzwa mai Tino vachiona mai Nyevero vakadya window vakagara pamothers
seat soo, asi ndiye akanga azvikanyira marriage nekuda kwemari.
Rambwai akafara kubata mari yakawanda kudaro, tsvee kutsaka business rekuita
akatonorenta kunodhura wena kwakutsvaka chisisi chekugara nacho achidya zvake
mari.
Chaakangosiirwa I foni yaive muhomwe yeJean raive akurura nema $ maviri aive
muhomwe imomo zvekare. Hembe nyowani dzaanga atenga dzese dzakahwapurwa
nasisi hameno pamwe vainotengesa mberi. Kana kuti amutsvake aimutsvaka sei
munhu wemubhawa? Haaimbomuwana.
Option yanga yasara nabhudhi Rambwai ndeye kutokwira bus voenda zvavo
kumusha. Asi iye akati aizotsvaka rimwe basa sezvo rent aive abhadhara hake
aikwanisa kumbotsvaka basa ari pamba apa.
Mai vaJoze vanga vasisina option than kungobvumira kuti vana varorane. Nyaya
yaivashungurudza yaive yaJoze. Joze vakaita nhumbu yake madays avaidanana
nabla Lodza, so she was not sure kuti ndewe murume wavo here or ndewa bla
Lodza. Asi ndopaunoona kuti vamwe vakadzika kukwana havana. Ko kana wada
chihure uri mumba Ko kuchidziirira hako? Ko icho chavaishaya chii kumba kwavo
uhmmm chakafukidza dzimba matenga chokwadi.
Joze akaendesa mai Nyevero ku driving school lessons vakapasa zvavo vaiita 4
lesson per day. Within 3weeks vanga vane licence ravo maiNyevero. Kana Joze
aripamba aivadzidzisa kudriver as well aah vakanga vava shasha.
Ku town dzimwe nguva taienda namhamha sezvo vaive vava driver. Umwe musi
takatoenda zvedu kutown for shopping. After shopping takapinda pa creamy Inn,
ndiye dhuma dhuma namai Tino vagoti kutukirira amai. She called her all sorts of
names amai zve noise vaisada vakaramba zvavo vakanyarara.
Ndakaseka veduwe uku Tino aitosekawo mai vake. Amai vakazotitengera imwe
ice cream tikabva taenda zvedu kumba.
Yes Rambwai akanga avarwadzisa asi vaingoti vegeance is for the Lord. Imwe
nyaya yaivanetsa ndeyavaive vaudzwa kuti havachaita mwana, Joze aizozvibvuma
here kugara nemukadzi asingazvari? Vakanga vazvipira kuudza umwe wavo
chokwadi before its too late.
Vakasendera Joze sms vachiti vane zvavaida kuzomuudza manheru kana adzoka.
Iyewo Joze akati ane zvaaida kuvaudzawo. So vaviri vakafungiranaka ava regai
tigoona zvaaida kuudzwa Tambu na Joze.
Zvakadirwa mai Tino ice cream na Rue vakaita BP chaiyo. Sure kamwana aka
kangandinyadzisa kudai? Ndichakabata zvangu, shasha yaitaura yega. Vakafonera
asahwira va Joze vachitsvaka plan B.
Rambwai mwedzi wanga wakutopera asina kana paanzwa basa. Foni chaiyo anga
asisina akanga aitengesa $15 kuti awane kamari ke ufu. Anga atova rombe
sekutamba sekuseka.
Manheru takati tatopedza hedu kudya Tino akangotanga kurutsa nekuchaya. Aaah
ndakazongona Tino apasi, uncle na mhamha vakamhanya naye ku hospital.
Joze akafonera asahwira vake telling him about Tino. Akafonera zvekare amai
vake. Vakasvika kuchipatara mwana akaiswa pastretcher bed omhanyiswa
kunoonekwa kuti chii chaitora dzvimbo. Pasina nguva asahwira va Joze
vavasvikawo nemukadzi wavo. Mai Tino ndovakazopedzisira sezvo vaiita zvema
kombi.
Mai Nyevero vaingonamatira mwana kuti aite zvakanaka. Doctor vakanga vatarisa
mwana vaiti mwana arikuda kuwedzerwa ropa mumuiri aive adya chikafu chine
poison.
Hapana akabvunza zvakawanda ipapo, Joze akati vatore rake ropa vape mwana
wake. Asi rakaramba ku matcher. Vakatestwa vese nana mai Nyevero naivo mai
Tino vachitsvaka anga matcher ropa remwana. Sezvinei ra sahwira va Joze
rakamatcher zvaro mwana akapiwa ropa akabva out of danger .
"Garai zvenyu pachigaro icho baba, baba mungaita here ruzivo rwekuti mwana
poison aiwana pai?" Doctor vakabvunza.
"Nyaya hombe yandakudanirai muno ndeye matests ataita aya, ropa renyu raramba
kumatcher uye rikuratidza kuti you are not the father of that child."
Doctor vakambomira vachida kuona reaction ye client yavo.
"What do you mean doctor? Are you saying I'm not Tino's father?" Joze akabvunza
aita kusimuka zvino.
"Calm down Mr Matsvai, yes Tino is not your child and I'm scared to tell you the
truth. Tino's father is the man who match with his blood."
"So you mean all along ndaichengeta mwana asiri wangu? But how could my best
friend do such a thing to me?"
Joze akataura neinzwi raive neukasha mukati. Haana kuzombomirira kuti doctor
vataure zvimwe akananga panze paive pakamira vamwe.
"So you my best friend you betray me like this right? How could you sleep with
my wife behind my back? How could you?"
Joze akataura achipa shamwari yake chematsengadzungu.
Vanhu vese was surprised even ivo mai Tino all along vaisamboziva kuti mwana
haasi waJoze. Joze akazobatwa na mai Nyevero kuti asarova sahwira wake asi
ataure nyaya yake 1st.
Joze akatsanangura nemo nemo mataurirwe azvaive zvaita nadoctor. Mai Tino
vakaona kuti chavo pana Joze hapachina kana mari yavanga vakupiwa obvious
yaito cancelliwa. Vakabva vafumurawo kuti zvose zvavaita vaitumwa nasahwira
waiye Joze nekuti akavenga mai Nyevero.
Zvese nezve poison vakataura kuti it was his idea kuisira mai Nyevero poison kuti
vafe. Poison yaive yapiwa gadern boy paakanotora sadza rake akasiya amwaya
poison muplate yaaziva kuti ndoinodyirwa namai Nyevero. Sezvineiwo Tino
akachemera plate iyoyo akapiwa zvake na mai vake ava vaisada kuti vana
vacheme.
"How could you be so evil like that? Unoda kumuuraya akakutadzirei Tambu? I'm
so disappointed in both of you. Ma bills emwana will pay but achingobuda the best
anonanga kwababa vake ava. Tambu let's go."
Joze akataura akutofamba kuenda zvekuti vatatu ava vaizozvifambisa sei it was
their own business.
Mukadzi wasahwira wa Joze akasara akaudza mai Tino not even to think of
coming best her house. Nemwana wavo vakadzi vanozvionera vakabva vadhonza
murume wavo ndokupinda mumota kwakurova pasi.
Mai Tino nekufurirwa vakazosara vapamhene. Pamwe dai mwana asina kurwara
Joze aisazomboziva kuti mwana haasi wake. Asi zvazvonzi amai vanoziva wani
kuti mwana ndewani chero vakaziva vanhu 20 zuva rimwe. Ko mai Tino kwaive
kupusa here or vaizviitisa zvavo.
Joze na Tambu hapana akataura neumwe kubva zvavakabva pa hospital apa. Kana
nyaya dzavaida kuudzana hapana akazokwanisa kutaura nemood yavaive. Samai
Nyevero stress yanga yatowedzera. Knowing kuti Joze haana mwana apa ivo
havachazvara uhmmm vakanga vamujeri ravo vega zvavo.
"No dear it's nothing serious ,will tell you tomorrow wagadzikana don't worry."
Haana hake kupikisa vakazosara vasvika kumba vakutotaura havo dzimwe nyaya.
Vachisvika kumba vakawana girls dzarara zvadzo. Tambu akaita coffee vairi
vakamwa vachironga upenyu.
Joze akaseka zvake akati aizomuudza kana iye amuudza zvaaida kumuudza 1st.
Vairi vakazoonekana mai Nyevero voenda upstairs kwavo Joze oendawo ku
bedroom kwake.
"Saka moda mwana aroore munhu ane danga revana kudaro iye asina kana
mwana? Talk to your son please asiyane neka chembere kaya kanenge kakadyisa
mwana wangu nxaa."
Takamuka amai nauncle vatobuda maybe vanga vanoona Tino ku hospital. Tambu
akanga amanikidza Joze kunoona Tino achiti mwana haana mhosva the father she
knew is you. For sure vairevesa Tino baba vaaiziva ndi Joze.
Vakawana mwana achinzi a right zvake aizobuda manheru emusi uyu. Ko iko Tino
kacho mafariro aakaita achiona baba vake na mai Nyevero ko aizivei zvake
mwana.
Vana amai vakanonoka kudzoka, sevanhu tatajaira kudya kuseni seni nzara
yakanga yotibvunza mutupo zvino.
Ndakaenda panze ndichida kudaidza garden boy kuti atiitire stove on. I was
surprised ne.............!!
END OF CHAPTER 38
NYEVERO
Chapter 39
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
*Ndakaenda panze ndichida kudaidza garden boy kuti atiitire stove on ko isu
tatajaira zve matches nehuswa kwedu kumakudo ku Harare kubva zvatauya amai
ndovaingobika zvavo. I was surprised netsamba yaive mu room make ,so does that
mean he was the one who poison Tino? Ndakaenda netsamba iya ndikaisa mu
drawer re kitchen unity .*
Sezvo papasina anotiitira stove on ndakadira drink nema ramba waraira tikamwa
zvedu takamirira vana amai kuti vadzoke.
"Nyevero enda unondidanirawo garden boy ku room kwake ". Uncle vakadaro
vachidzvuta zvavo coffee yavo . Joze akanga asina kuzowana mukana wekubvunza
garden boy wake maererano nenyaya yaakanga anzwa kuchipatara. Chaakanga oda
kumupa mari yake orova pasi.
Ndoaive mafungiro ake ,mukomana aive atorova matunhu kare . Zvaakaisa poison
akanyora tsamba yekukumbira ruregerero ndokuenda . Thank God hapana akafa
nekuti aitozoenda kujeri for the love of money kunge yaaitambira yaive shoma.
"Uncle Tino asei? Uye achadzoka riini?". Ndakatoti gandibvunze nekuti hapana
anga ati atiudza kubva zvavakaenda na Tino ku hospital .
"Tino anzi ava right my angel achabuda hake manheru, asi achamboenda na
mhamha vake ". Vakapindura uncle nekubva vasimuka vonanga ku office kwavo.
Ndakaona hangu kuti something was bothering him asi handina wandakakwanisa
kubvunza.
Rambwai basa rakaramba kumuka for good ,ka $15 kakatengesa foni kakasvika
pakupera. Tumudziyo twese akanga apedza kutengesa kuti awane
chekudya.Shasha yakatsvaka chimwe chekutengesa kuti idzokere kumusha . Bed
ndoyega yanga yasara akaitengesa $10 ndokuita bye bye Chivhu . Chokwadi
munhu akapiwa $5000 wodzokera kumba uri 1 2 1 2 aaah ndozvoratidza
kusakwana izvozvo.
Uncle vakazobuda vakatipa mari kuti tiende for shopping na mhamha ivo vaisara
havo doing his work . Takanzi tikasire kudzoka sezvo taizosimuka kuenda out na
1500.
Takatenderera zvedu town ,ndichiona vamwe vana vaine vabereki vavo vese
ndainzwa moyo wangu kurwadza. Ko vedu baba vakazvitadzawo sei?. Now
someone like him is taking care of us .
Before I knew it tatapedza kutenga zvataida for the 1st time amai vakatitengerawo
ma jean trouse. Takafara veduwee trouse tairiona rakapfekwa nevamwe nepa TV
chete ndaingoti musi eandopfekawo trouse kana step ndochinja.
Takaona pauya taxi zvakatondinetsa kuti ko why uncle vasiri kuda kuti tiende
nemota yavo ?. Ko ndaizivei hangu takapinda zvedu mu taxi muya. Ndakaona
takubuda mu town kune road yakanaka naka kuine mufananidzo yendege ini aaah
ko ndoipi iyi?.
Takasvikoisa ma bag edu 1st isu kwakuzoenda hedu papera 20minutes . Nama aive
akatakurwa hake na uncle ini na Rue tichizvifambira .
"Mom handisi kuona Rue hameno aendepi ". Ndakataura ndakuda kutochema
kutya kuti pamwe ndaizorohwa kuti ndaisepi mwana.
Uncle vakapa mhamha Nama ivo vakamhanya kwataive tabva nako kunotsvaka
Rue . Ndakaona vakuuya naye apa achibongomora mhere hanzi handidi kukwira
ndege inondiruma.
Amai pamwe vakazvishingisa semunhu mukuru hameno . Asi Rue na Nama aah
taive mu same catalogue .
Pasina nguva ndege yakanga yasvika kwataienda. Uncle vakazoti votiseka zvavo
vachitamba nesu. "Moda tidzokere futi ne ndege here girls or toenda zvedu ne bus
pakudzokera?". Vakabvunza uncle uku vachiseka zvavo.
"Toenda zvedu ne bus uncle". Akapindura Rue akarova ma serious haikona anga
asisade zvekurutsa mwana wa mai vangu.
Joze umwe musi akatorana nemudiwa wake vakabuda vana vakasara zvavo
vachitamba.
Sezvo vaivewo neyavo nyaya yavaida kuudza Joze vakangovutsurira musoro kune
zvaaitaura .
"Waida kundiudza something that day handiti? What is it ?". Akabvunza Joze
akanyatsotarisa Tambu mumaziso .
"I will stay with you not because I want kids or what but the love I have for you ,
vana inga varipo wani nhai Tambu vatatu vese uchada vamwe here ?". Akapindura
achiseka zvake Joze .
"OK ,nekuti ndakanzi I might not have kids again so sezvo iwe usati wane mwana
I thought unozobatikana nekungochengeta vana vangu ". Amai Nyevero
vakaenderera.
"It's okey Tambu don't even think like that ,your kids are my kids too I will love
them like they are my own . I know baba vavo vanogona kuvatora one day but
pandichange ndinavo I will be a good dady to them I promise ". Joze akataura
zvaive nekurevesa mukati .
"And one more thing Joze , my x husband ndiye munhu wawakadzinga basa ku
company kwako ku Chivhu that day . Can you do him a favour please just give him
his job back please !!". Amai Nyevero vakataura havo asi vaitya kupopoterwa.
"What? You mean your x husband was my employee ? What will people say if
they come to know that I take my former employee's x wife ?". Joze akasimuka
akatanga kufamba famba pfungwa dzaive dzisisina kugadzikana. But akatozoona
kuti papasisina going back nekuti Tambu aimuda.
"Sorry shaa I overeact for nothing ,ndichafonera manager kuti vamudzose pabasa
but he will be transferred to Gweru onoshandira ikoko ". Joze akapindura. Vairi
vakazofara zvavo vachironga how they want their wedding to be like . Asi amai
Nyevero vaisimbirira yekuti havadi white wedding vanoda havo court wedding .
Amai va mai Nyevero vakafonera mwana wavo kuti kana obva kuHarare agouya
nekumba kwavo pane munhu wavaida kuti vaone. Amai Nyevero vakabvumira asi
vainetseka kuti angava ani wavaida kunzi vaone.
Rambwai ndiye akanga ave mufudzi wemombe dzamai vake. Uku aive ogarorwara
rwara pamwe yaive stress hameno. Vakanga votamba nhamo tsvuku ndi ambuya
neumwe munin'ina nekuti anovapa chikafu panga pasisina. Changa chasara
kudzokera kumusha kwavo hameno vainopinda neipi sezvo vakambobva
vachivhaira semvura iri pamoto .
Amai vakachema nemufaro, ndakati mwari itai amai vangu vagofara nekusingaperi
in her life . Amai vakaenda nesu for a joy ride takabva tatonodya out kekupedzisira
. Upenyu hwepa dhorobha hwaive hwonakidza manje .
Taka........!!
END OF CHAPTER 39
LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORES AND
SHORT STORIES .
NYEVERO
Chapter 40
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
*Yedu yekuda kuona zvinenge zvichiitika iyi, ini na Rue takasiya Nama ku
bedroom kwavo isu kwakunyahwaira kuda kuona kuti vairi ava vakanga vakuitei.
Takanyatsodongorera kwe almost 20minutes pasina kana chaitwa asi vaitoseka
zvavo vachitaura nyaya.*
Ndakazevezera Rue kuti tinorara sezvo paive pasina zvaitwa nana mhamha. Rue
nenharo kakati timbomira pasina 5minutes takaona aah uncle vakusebedza
muromo wavo kuna mhamha mamhanyiro akaita Rue achiti uncle musaruma
mhamha aah ndakangovhomora speed yembwa nhatu ndakananga ku bedroom
kwangu.
Ko iyo hana zvayaive yoita ndakatoziva Rue achataura kuti anga aineni mu
passage tichidongorera. Ndakabva ndafuga gumbeze nemusoro nemusoro apa
mapisiro akwaita ndaiti ndigonzi ndandakararawozve. Zvaive zviroto before I even
think twice ndakanzwa mutsindo yetsoka dzaifamba dzichiuya towards my room .
"Nyevero kasira kumuka ipapo munhu anga akamira mu passage umu wazokotsira
nguvaizve?". Vakadaro amai vachitondifugura magumbeze.
"Haa iwe Sharon ndisiye mhani unoti ndombozvida here izvozvo?". Ndaka ignore
zvangu zvaitaurwa na mhamha kwakutoita sendairota.
"Right kururai hembe tione vasikana ". Amai vakadaro vachitora bhandi raive mu
wadrop mangu. Ndakabva ndatoziva kuti kurohwa ndokwatakutoita amai vaiti
vakakukururisa hembe kana wanga waba tsvigiri waisazomboda kuona kana
panomwiwa zvapo tea, nfakambokururiswa hembe ndaba dovi upto now handidyi
dovi.
Musi uyu hope hadzina kutana kubata nemarwadzo uye kunze kwakakasira kuedza
zvakandisvota. Dai holiday yaiwedzerwa dai ndakambodzosera calender
kumashure. Sezvo amai vaive vasati vambo driver long distance uncle
ndovakatiperekedza kusvika kwambuya havana kuzombogara sezvo vaida
kudzokera Harare .
"Baba na amai isu takuonai regai timbodzokera kumabasa, my angels mosara
zvakanaka handitika? Musanetsa gogo na mama, Nyevero study hard ukabuda ne
4units to 8units you choose boarding of your choice". Vakadaro uncle
vachisekerera as usual ndakaita sendisina kunyatsonzwa.
Chakasara musi uyu chine mudzimu wacho . Kuzoti patakavaudza drama repa
Airport sekuru vakaita kuumburuka nekuseka. Takatozogurisirwa kutaura
pakasvika mota yaive yakanaka seya uncle pa gedhi, ambuya na sekuru
ndovakaendako isu takanzi tinotamba hedu mumba.
Tambu na Joze havana kuzogarisa sezvo Tambu akafonerwa na amai vake kuti
adzoke kumba kwaive nemuenzi wake. Mai Nyevero vakanosiya vakwidza Joze
comb ivo kwakudzokera vachiirova zvavo Benz yavo, vaishaya kuti muenzi iyeyei
aive ani chaizvo.
Amai Nyevero pavakaona munhu ainzi muenzi wavo hana yavo yakarova kuona
ari munhu akamboda kuvatamba nyowani. Sezvo vanga vasati vaziviswa kuti
ndiani vakamirira kutanga vanzwa zvaida kutaurwa.
Pakaita batai batai kudira muenzi mvura, ndakashaya kuti ko ma jokes apiko aive
oitwa na baba ivava. Vakazobengenuka pava paya suit yese yati dhabha dhabha
zvino kunge munhu anaiwa.
"Nhai amai handiti hamuzive kune vabereki vangu so what's all this now?". Amai
vakabvunza ambuya zvine kushamisika mukati.
"This man is your father Tambu I'm sorry I lied to you". Ambuya vakataura
vachinengedzera kuna baba vaya kana ini ndakashamisika nazvo, so ambuya
vainyarara all along tichitambura ivo baba va mai vedu varipo?.
"You are joking right? All along you didn't tell me about him why now?".
Pakapindura amai ndakaona muenzi uya akugwadama uku misodzi iri yata yata
pamatama.
"I don't deserve to be your father Tambu, but find it in your heart to forgive me.
Sorry for what I did some month back I'm so so sorry ndashaya kana kuti ndopinda
pai". Muenzi uya akataura achisvimha misodzi.
Amai vakazotaura how she meet her father, ndakavanyarirawo vasekuru vedu
ivava. Takazo introduswawo kune vaizni sekuru vedu ava. Vakati ivo all he
wanted was to see us not to take us from vana ambuya vataive tajaira.
Amai Nyevero vakaramba kunoona pamba pa baba vavo ko handiti vaipaziva here.
Havana kutomboratidza kufara kuziva baba vavo.
Manager kubva zvavaudzwa na Joze kuti Rambwai adzoke pabasa akazama foni ya
Rambwai asi yaingoti no longer in use. Ko yaigoita nepiko kana ne line racho aive
asisina.
Chokwadi upenyu hunongochinja pamba pedu taisave kana nengoro asi nhasi uno
pakupakwa Benz paruzevha. Takazonorara zvedu amai valanamata tisati tarara.
Musi uyu kwakandinonokera kuedza, ndakanga ndanonokerwa nekunoona
asahwira vangu Sharon ndombovaudza zvepa Harare.
Takazosara toenda pa lunch chikoro chese chakuziva kuti takakwira ndege asi
zvekuchema hazvitaurwi. Shamwari dzaive dzowanda zvino nekuti taive
takuonekerawoka pane vamwe.
Takazooonekana na sahwira wangu ini ndoendawo kumba nekuti Rue aive aenda
aigona kuzongonotaura nhema zvake kuna amai.
Mazuva akafamba ikava mwedzi all was well for us uncle Joze vaipota vachiuya
kuzotiona. Isuwo takanga takupota tichimboenda kwaambuya for weekends
sometimes taienda kwasekuru.
Mai Nyevero navamwene vavo vaive vapa level iri nani pakuwirirana. Amai va
Joze vakanga vatoona kuti havaihwine nyaya yacho. Ukuwo Joze na Bla Lodza
vaiwirirana especially panyaya dze bhizimusi apa aah zvaikenerana.
Joze akanga azoudza mainini vake vanova vaive boss va mai Nyevero about his
relationship with mai Nyevero. Vakanga vasisabatwa semushandi asi semuroora.
Chaive chotovamisa kunogara ku town ndiNyevero aifanira kutanga anyora final
grade 7 exams ake.
Imwe weekend amai vakati timbonoona hedu vana mai Sharon. Ndakafara
kunoswera zvangu na sahwira wangu tichitamba.
END OF CHAPTER 40
NYEVERO
Chapter 41
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
"Nhai ambuya saka nhasi tavazukuru venyu nhai? Nekuti takufambawo nemota
nhai? Or mangodairawo kuti zvii.....!!"
"Woda kusara nevana vako unovapei nhaiwe Rambwai iwe ukutadza kuchengeta
one ari mudumbu uyu?"
Yakati yatengwa zvino navatumbwa.
Amai Nyevero vakanzwa tsitsi vachiona situation yaive nehusband wavo uyu,
vakatoona kuti utano chaiwo pana Rambwai panga pasisina zvachose.
Rambwai akamboda kuramba nemwana asi ziso raakapiwa nemukadzi wake was
too dangerous. Akabva apa mwana kuna mai vake. Chembere yaiona zvayo firimu
iri mukitchen mayo dai godo raiuraya musi uyu, dai mai vaRambwai vakafa.
Amai Nyevero vakaoneka zvavo kwakupinda muBenz yavo vorova pasi. Kana
zvebasa havana kuzombomuudza Rambwai vanga vachamuudza nepi iye
aingogwauta kunge imbwa yatorerwa vana vayo?
Rambwai musi uyu kana kumombe haana kutoenda abatwa ne stress yakamupinza
mumachira nekwaipisa. Akafunga paakatanga kudanana na Tambu vari kuchikoro,
akafunga paakaroora nezvaakazoita akaona kuti akanga azvisikira moto muziso
ega nenyaya isina basa rese. Iyezvino haasisisna kana mwana wacho waanoti
nhaiwe ndichererewo mvura asi airamba vana vasikana. Mwana mwana hama wee
hauzive anokuchengeta ramangwana. Learn to accept zvamunenge mapiwa
namwari ndiye anenge achiziva chikonzero.
Takazodzokera zvedu kumba zuva rorereka. Amai vaka receiver call kubva kumba
kwana Uncle Joze vachinzi vasvikeko weekend yaitevera.
Amai Tino things were not well with her vakazongonosiira Tino baba vake pabasa
pavo zvekuti mukadzi wake izoti haadi kumuona mwana uyu akazviisa kuside. Asi
ukaona uri mai vanosiira mwana umwe mukadzi unenge usina kukwana. Even
munhu ukashaya chekudya better uite maricho kuti uriritire mwana wako than
kupa umwe mukadzi akaita sewe mwana wako.
Mukadzi wefriend yaJoze sekutaura kwaaive aita kuti haadi mwana we result
yechihure aitorevesa. Tino aigara achirohwa chikafu chaicho aipiwa nenguva iri
kure mwana anga awonda kusara musoro chete.
Takasvika kumba zuva ratova muna amai varo, sezvo taive tabva tadya
takasvikovesa moto wekuti tigare zvedu tichitandara.
"Vanangu huyai mugare apa ndoda kutaura nemi." Vakadaro amai vachibata bata
zvikuni zvaizvibvirira zvavo muchoto.
"Mhamha saka uncle Joze vanenge vave step father vedu?" Akabvunza Rue amai
vakagutsurira musoro.
"It's okey Rue ndichataura na ambuya vako kuti ugosara navo." Vakapindura amai
hatina kuzombogara zvakanyanya mu kitchen amai vakanamata tikaenda zvedu
kunorara.
"Nhai Rue why waramba kunogara na uncle Joze? Hauchadi kunogara kuHarare
here?"
Ndakabvunza hangu Rue taku room kwedu.
END OF CHAPTER 41
LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES AND
SHORT STORIES.
NYEVERO
Chapter 42
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Amai vaive vakangomira zvavo vakavatarisa havana kana shoko ravakataura kana
kuzama kubata baba havana.
Joze zvaakasirwa mwana akakumbira amai vake kuti vambogara naTino for a
while but vakaramba kuchengeta mwana asiri wemwana wavo. So Joze akafunga
kuenda hake nemwana kuna mai Nyevero aiziva kuti havamborambe kuchengeta
Tino nekuti aiziva kuti vane moyo wakanaka.
Rambwai achiona boss vake akaita seachazviwetera nekutya. Akaziva kuti kana
kujeri anogona kuenda nekuti Joze aisava munhu wemhanga mhanga.
"Baba you are under arrest for destroying someone's property, you have the right to
remain silent and.......! Muprurisa uya haana kupedzisa zvaaida kutaura agamwa na
amai.
"No officer don't arrest him toraurirana." Vakadaro amai asi uncle vakati baba
vaende nemapurisa aya. Baba vakaiswa cheni dzemapurisa dziya vakabva vaendwa
navo, kana ku church takazombokuenda here nemuyedzo wakanga wauya uri
mungoro uyu.
Joze haana kuitawo nharo asi haana kufara mumoyo make. Akatofunga maybe
Tambu haasati aita get over her X husband, asi semunhu aida umwe wake
akangoteedzera zvaaida. Vairi vakasvika ku police kuya Rambwai achirohwa
kwete zvekutamba vakaita kuti Rambwai abuditsiwe, asi akapiwawo peace order
yekuti haasvike padhuze na mai Nyevero or vana vasina kuwirirana.
"Shaa ndauyawo na Tino akauya na sahwira vangu hanzi wife yake haisi kubata
mwana zvakanaka, unokwanisa kumuchengetawo here for the mean time amai
varamba hanzi handichengete mwana asiri wako saka ndazouya hangu naye
kuno."
Akaenderera Joze, amai Nyevero vakabvuma zvavo vakati mwana haana
chaanoziva vanochengeta ko aida kuberekwa here munhu aive ozvitambira hake.
Tino akafara kusiiwa kumba achiona vekutambawo navo na Nama zvaibva zvaita
kunge zvima twins .
"Saka nhai Nyevero muzukuru ukapasa ukuda kuenda ku secondary school kupi?
Newe Rue handiti manje manje unenge wakuendawo ku secondary unodawo
kupi?"
Sekuru vakabvunza, moziva ndakambozvitsunya tsunya ndaifunga ndakarara izvo
aiwa ndaive ndakasvinura wena.
I couldn't believe kuti ndini ndakuwana vanhu vairi vari willing kundiendesa ku
any boarding school of my choice. Musikana aive wezvigamba ndakambotanga
ndaita ka short prayer mumoyo kana sekuru vakatoshamisika nekunonoka
kupindura kwandakaita. Imwe pfungwa yakambonditi nditi ndoda hangu
paMakumbe pedu pekare sezvo paive ne Boarding as well, ndakazofunga
kutaurawo Boarding school yandaingonzwa kuti inodzidzwa ko taizviziva here
zvema best schools kuti ndeapi.
Rue sezvo akambonzwa vamwe vachitaura about Boarding primary schools shasha
yakangotaurawo kwaakanzwa kuchitaurwa.
Amai va Joze hana yakamboti dhi dhi dhi kurova pavakanzwa shoko rekuti
Matsveru. Moziva kana une zvawakaita unenge uine kamwe kakuvhunduka so
kekuti ko nhingi uya akabva ataura zvakati.
Vakazogara havo pasi ndokukurukura, amai vakazoudzawo mwana wavo kuti she
was ready to accept Tambu as her daughter inlaw.
Pakafarwa kani pamba musi iwoyo Joze na Tambu pavakangopedza kuya vakabva
vawoneka vakuenda kwa tete vaTambu kana ku cleaner kwaida kunzi aite haana
kutozo cleaner akati aizouya zuva raitevera. Sezvo Tambu akakura achiziva vana
tete sister ya foster father vake ndokwavakaenda.
Vatete vakakarika vatsikwa zvisina kana notice. Joze aive asisada kutambisa nguva
chaimumisa kunoroora ndiamai vake.
Vakatambirwa zvavo nemufaro vakataura nyaya yavo. Joze aive akuda kuroora
akatosiya apa tete date chachasara ku confimer nana tezvara.
Vana tete nekuda kudya vakatanga kuita sevaifarira Tambu asi ivo vaisava ne basa
naye. Mai Nyevero vacho ndovaive vasina kana basa nazvo zvavo zvekufarirwa
kana kuvengwa vaisazvitsvaka.
Apa ivo vaive vatogadzirira kuudza mwana wavo reason behind kuramba kwaita
mai va Joze kuti varoorane. Vakabva vatozvikanzura. Joze na mai Nyevero
Vakazooneka voenda kwaive nevava.
Ma foster parents avo akasara akanyemwerera zvavo nerudo rwaive nevaviri ava.
They regret mistreating Tambudzai but dai vasinawo kumubata zvakashata dai
asina kusangana na Joze. Sometimes you have to go through tough time for you to
reach your destiny usatuka mwari ukaona zvinhu zvaita sezvorema asi
murumbidze chete wedenga. God is always on time he will never be late.
Sezvo mai Nyevero vaive vati kuna amwene vavo vanodzoka vo cleaner
mangwana chavaive vakutoita kutorara kumba kwababa vavo vozomuka vono
cleaner kwamwene. It was hard though kurara pamba pababa vavo but she try to
forget the past and move on. Uye havana kumboudza Joze zvakaitika between her
and Bla Lodza zvimwe zvinhu hazvisi zvekuudza murume mangwana anofuma
ukutukira hama dzako nemashoko aunenge wakamuudza plus murume wako
anogona kutozovengana ne hama dzako nekuda kwetunyaya tusina basa.
Vakasvika vana vachifara zvavo na sekuru vavo. Joze haana kunyanyogara sezvo
aida kupa mhuri iyi nguva yekuurukura, akazooneka zvake oenda kumba
kwevabereki vake. Bla Lodza pavakatarisa mwana wavo nezvavaida kumbomuita
shasha misodzi yakatanga kuchururuka yega vakagara pasofa.
Mai Nyevero vakazviona kuti baba vavo pane zvaivanetsa. Amai Nyevero
chavaive voda kukanganwa past yavo and move forward with her life.
Vakaswebera paive na baba vavo ndokuvabata maoko.
END OF CHAPTER 42
NYEVERO
Chapter 43
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
"Wow wow wow! So this it right makugara nevana vemusango nhai? Pamba
yatakavaka tese manje?"
Amai vaya vakagotanga kupopota ndakabva ndatoona kuti ndivo vaive mukadzi
wasekuru.
Mukadzi wa Bla Lodza aive akugara kuSouthAfrica nevana vake. Vaive nevana
vairi mukomana nemusikana mukomana aive mukuru kuna mai Nyevero uye aive
atove mumhu ane mhuri. Musikana aive mudiki kuna mai Nyevero uye aive asati
awanikwa aishanda zvake revia kitchen nemu bedroom vese na mai vacho.
Bla Lodza nemukadzi wavo kurambana chaiko vanga vasina, asi vanga vatizwa
nenyaya yavo yekushusha plus chihure. Moziva mukadzi wese akangonzwa kuti x
wako ane umwe mukadzi or something about him anotombodzokera kuda
kunonyatsoona kuti which is which. Ndohunhu hwevakadzi ihwohwo wotoshaya
kuti anenge achida kuzama kudii chaizvo.
Mwana mukomana wa Bla Lodza paakada kuswebera kuna mai Nyevero aida
kuvapa mucheka akazodzosa ruoko ndokukanuka,
"Tambudzai? You what are you doing here? Don't tell me you are my father's
girlfriend?" Ndakashamisika baba vaive nevanhu vaya vachitaura zita raamai.
"Tatendaa! Is that you? It's been long hey how are you?"
Amai vakataura vachikwazisa baba vaye. Ndakaona team yakanga yauya nevhavhu
iya yakugara pasi zvino.
Thank God Rue haana chaakataura ndaitotya kuti nemanyawi akasvika aine hama
dzasekuru idzi haa Rue aivapedzera.
Takasara tobvunza amai how she knew sekuru Tatenda. Vakatiudza tikavaseka
zvedu kuti makapotsa maroorwa nehadzvadzi. Sekuru vakazodzoka papera one
hour hameno pamwe vaive vakumbogadzwa matare ku irrigation ko.
Shasha yakasvika ikaitwa ma tests akasiyana siyana neku dreswa maronda ake aive
kumusana. Vakanzi vamboenda havo panze vachimirira ma results emurwere
wavo.
Rambwai akazodeedzwa kuti apinde mu room ega vamwe amai vake nemukadzi
vakanzi vasare panze.
"Makadii zvenyu baba? Garai henyu pachigaro apo."
Vakadaro nurse vaive mu room muya. Rambwai akagara zvake asi hana yake yaita
semurikumhanyisana madhongi kurova. Kana iye muridzi wayo akatoshaya kuti
why hana yake yaibikana kudaro.
"Baba takuitai ma tests e HIV taona maronda enyu aya hongu makarohwa zvenyu
asi maronda aya akuratidza magara maitorwarawo hen.....!" Nurse uya haana
kupedza zvaida kutaura agamwa na Rambwai.
"Ini kutorwara? Inini chaiye here or mukutaura umwe munhu nhai nurse nekuti ini
handirwari ini."
Rambwai akataura zvake asi mashoko amadzibaba vaya akabva auya mune dzake
pfungwa,
"BABA NDAONA MAFA NECHIRWERE CHESHURA MATONGO".
Akabva atoziva kuti something was wrong mufaro wakabva wasuduruka paari.
Nurse vaya vakatanga vanyatsotsanangurira bhuti Rambwai about living with HIV
kusvika vaona kuti vanenge vakunzwisisa kuti kuva neutachiona hakusiko kuguma
kwenyika you can live a happy life after. Unogona kutorarama makore akawanda
kudarika vasingararami neutachiona.
Rambwai akazotambidzwa ma results ake aiwa bambo vanga vanuna, anga ave
HIV positive, ko aive arumwa hakezve nechekuchera.
"Are you married nhai baba? If yes tinenge tichida muzouyawo navadzimai venyu
kuma tests."
Vakadaro nurse vaya.
"Yeee yes yes, I'm married and I think akandipa chirwere ichi i X wife yangu chete
i will deal with her mirai henyu muone." Akapindura Rambwai achiita kupupa
nehasha. Akazonzi anodeedza madam kuti vaitwewo ma tests.
Mai nemuroora vakatoshaya kuti ko Rambwai aive amedzwa nei mu office mo
maive apinda. Amai vakanga vatoti muroora teera, ndopaakasangana nemurume
akanzi aidiwawo ku office kuya.
Aiwa ngoma yaive imwe atumbwa vanga vavawo nacho amai vakagoumburuka
pasi kunge mimba ichabva. Vakazopiwawo chidzidzo chachaitiswa baba kusvika
vanzwisisawo. Amai va Rambwai pavakazoudzwawo zvaive zvabuda musarudzo
yemwana wavo vakaridza mhere kunge paive pafiwa. Vakagoti kutukirira mai
Nyevero hanzi ndiye akapa mwana wangu chirwere. Wotoshaya kuti mai Nyevero
vanga vapindira papi ivo vakanga vasisasangani na Rambwai for that long.
Asi vanhu vakawanda why is it muchiti ikaita nyaya kana mhosva unotsvaka
wekunenedzera kuti dai pasina nhingi ndiye akati? Aaah hameno gai ndinyarare iyi
yakatangawo naAdam baba vedu vakapomera Eve hanzi mukadzi wamakandipa
ishe.
"Mhamha honai ngoro yekwambuya iyo mukuita semune munhu akarara mukati
pamwe pane arwara." Ndakataura ndichinongedzera kwaibva nengoro iya. Uku
mbuya ndovaive vakatungamira mombe vaita sevaichema.
Amaiwo nemoyo wavo wetsitsi vakatoti timire isvike tione ndiani aive arwara,
sezvo yaiuya nepataive tasiwa na sekuru.
Ini ndakatoshaya kuti why baba vaiti amai vavapa chirwere? Kuchikoro
tatakadzidza kuti munhu unoita chirwere kana warara nemumhu ane chirwere.
Saka amai vaive vachiwanepi? Ko kana amai vane chirwere vachatofa votisiya?
Ko ivo baba zvavane chirwere vachatofa? Mibvunzo yakawanda yakauya mune
dzangu pfungwa asi ndakashaya akapindura.
All i ever wanted mai vangu kuti vafarewo. Uncle Joze vakadana amai kuHarare
I'm we weekend hameno kuti kwaiva neiwo. Isu takasara tiri vaviri naRuu sezvo
taienda kuchikoro. Amai vakaenda naNama naTino.
Mai Nyevero vakarova zvavo Benz yavo vakananga Harare, semunhu akanga
angodeedzwa pasina notice akatombotya kuti kwaitikei vakafamba mushe zvavo
vakasvika Jose aripo zvake pamba. Vakakwazisana vakafarirana zvavo. Mai
Nyevero vaive vave nechidokwa dokwa kuda kuziva kuti vakadanirwei kutaundi
uku.
"Ok, zvaari mashoko akanaka aya. Manga mafunga kuzviita riinhi zve grocery
izvozvo?"
"Any day. Kana mangwana sezvo iwe wati ukutyira vanavasara vega kumba uko,
togona kunotenga zvedu mangwana."
Uncle vakadaro.
Kkkkk zvinonzika kupumha munhu huroyi kumuti hande totestwa. Saka muchifa
ibvai apa Kkkkk. Guyu kutsvukira kunze mukati rakazara masvosve, munoti
vainyepa here vakadaro?
Vakabuda vose nevana vavo vakapinda mumota vakaenda. Vakatorwa ropa apa
nurse wacho akange ovatyisa akungotaura nezvekuti vaizorarama sei nehutachiona
vakawanikwa vainawo.
Mai Nyevero vaive votya vakuti kuda Rwambai aiva avapa. Asi nguva yacho
ndiyo yaizovapa hope kuti havana chinhu. Asi vaive vambonzwa kuti carrier
anorarama makore hobho chisingaoneki.
Vakazoudzwa maresults avo vose vakafara zvikuru kwazvo. Negative vose.
Vakambundirana vakabva apa vawedzera mufaro. Pakurara vakarara zvavo
semazuva ose mai Nyevero ndovakarara nevana ku main bedroom Joze ku guest
room, vakazomuka vachienda kwaMussa kunotenga grocery riya muma carton
nekuwedzera zvimwe zvaisavapo. Mai Nyevero vakazofumoenda mangwana acho.
Amai vakadzoka vakatiudza zvavaive vadanirwa Harare. One thing I like pana
amai vangu upto now she is open.
Zuva rekuroorwa kwa amai rakasvika isu takaenda takanosara na mainini kumba
kwa sekuru sezvo vana sekuru naambuya vaiendawo.
Takanga taita goodbye Gombe, taive takugara zvedu kwa gogo kwakarerwa amai
takamirira muchato waamai waive wanzi musi wa25December uye kumirirawo ma
results. Upenyu hwandaishuvira muupenyu kugara tichifara nguva dzose kunamata
hatina kurega nekuti zvinhu zvanaka taive tatowedzera chikero. Eeh vamwe ka
tokanganwa mwari kana wagarika wongomufunga munhamo nemumatambudziko
chete. Uya akaimba akati kana makomborerwa musakanganwe kutenda mwari
chokwadi vamwe tokanganwa.
END OF CHAPTER 43
LIKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES AND
SHORT STORIES
NYEVERO
Chapter 44
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Kugara tichifara was now our portion, asi dzimwe nguva ndichiona vamwe vana
vainana baba namai vavo ndaimbofungawo vangu baba. Chero zvavo vaive
murombo chataingoda rudo rwavo asi vakatadza kutipawo plus handingamboti
vaive murombo, pavaishanda baba vaitambira mari yakatowanda asi musoro nayo
ndopanga pasina.
Momboziva it's not about how much you get as your salary? But kuzova nemusoro
nayo mari yacho, plus munhu usada kurarama zvakapfurikidza mari yaunowana.
Woda gerofurendi rinoda 200$ yekugadzirwa musoro iwe uchitambira 300$. Saka
mhuri yako unozoipeiwo? Ndozvakaita baba izvozvo dai izvozvi tiri pamwe
navowo asi he choose his own path.
"Horaiti amai ndoenda navo asi ndichatanga ndataura na mhazi ndinzwe kuti
vanotii." Vakapindura amai vachitosimuka kunofonera uncle Joze.
Amai Nyevero vakaona kuti kuenda nevana hakuna kuipa asi vaifanira kuzivisa her
husband to be uyu, nekuti nehunhu hwakanga hwana Rambwai aigona kunovaita
zvimwe iwe usina kutaura kuti wakuendako.
Joze akaona foni yapinda kubva kumudiwa wake. Joze aida mai Nyevero ne
respect zvese kana achitaura navo aito maker sure kuti asimuka. Mozviitawo here
izvi hama kuti uchitaura pa foni nemudiwa wako unosimuka? Makusekaka hameno
henyu sekai henyu asi ndikutokutipirai it shows some respect so. Kkkkk.
Amai vakadzoka vakatipa good news dzekuti uncle vaive vabvuma kuti tiende
kunoona baba. Takaronga kuzoenda chifumi chaiteera sezvo apa zuva raive
ratokwira zvaro. Takabva tabuda zvedu na Rue tichienda kumunda kunotsvaka
madomasi ekushandisa.
Amai ne mwana vakasara votandara havo ava vasikana vairi Tino na Nama
vaitamba zvavo panze. Amai Nyevero hameno kuti vakafungawo kubvunza amai
vavo mubvunzo uyu sei.
"Nhai amai, handiti mai vababa Tino ishamwari yenyu? Mungazive here reason
yaiita vandivenge kudaro zvekuita vasade ndiroorwe nemwana wavo?"
Tambu akabvunza nekuti aisanyatso truster mai vemurume wake ivava. Yes vaive
vazobvuma kuti aroorwe but aive ne question mark kuti why so suddenly munhu
aimbombeja.
"Aah kupiko zvasahwira wangu here, aiti ko kana mukazonetsana iwe ne mwana
wavo ushamwari hwedu hunozokanganisika here?"
Vakapindura zvavo amai vaya, uyuwo mwana wavo haana zvaakazombobvunza
vakabva vatochinja havo nyaya.
Vemakuhwa havaregi kufambisa shoko nekuti iwe ukurida here kana hauridi.
Shoko rakazara mabika yese kuti mukadzi waRambwai wekutanga akabisirwa mari
inemumvuri neaimbova boss wa Rambwai. Vamwe ndevaifara vamwe vaitonzwa
godo kuti dai asina kuroora mvana ine vana vanozadza kadoma yose kudaro,
akaroora hake vana vavo. Asika moyo muti unomera paunoda, Joze wake waive
wamera pamvana ipapo ko mvana munhu zve chakanaka ndechekuti Joze aida
Tambu nemoyo wake wese kutodarika madirwe anoita vasikana vamwe
nevakomana vavo.
Moziva hakuna munhu mukuru anonzi afurirwa? Unonzwa vanhu vachiti aah
mukadzi wanhingi uya or mwana wekwa nhingi uya akafurirwa kuita chipfambi na
nhingi, aah imika hakuna zvinhu zvakadaro. Munhu unenge wagara uri pfambi or
mbavha asi uchishaya mukana chete. Munhu une free will to do what you want
unorambaka zvausingadi, dai Rambwai aisada dai akaramba kusiya mhuri yake.
Rambwai aive ambonzi nasahwira wake douya ushandewo kuma olives ku Cape
Town uko asi nenyama dzake dzaive dzongogara dzichidzimba akatya kunoita
kafira mberi mumuti wemuorivisiwo.
Apa shasha yaive yogara pamba pevabereki, musha wake waive watova dongo
sekutamba sekuseka. Regai zvinzi musha mukadzi mai Nyevero vaive mukadzi
chaiye kwete zveuyu anga avapo uyu.
Kupera kwaive kwaita vedu bhudhi Rambwai waiti mabhonzo apfekedzwa hembe,
zvakangooma kuti hofori yerume yozoonekwa yakuita sekamwana ke grade 7 kana
raini rose raive rongotaura kuti baba ava mukati vachiri right right here? Ko
aitadza neiko kuwonda iye aimbopota achirega zvake kumwa ma pills ake.
Bopoto rakazopera zvaro pamusha apa asi amai vaRambwai vakabva vanovata
zuva rakacheka nyika mashoko aive ataurwa newavo mwana aive avabata bata
panyama nhete.
Takasvika amai na mbuya vakatogara zvavo. Vakapirwa nyaya yaive yaitika amai
vayawo vakuti vana venyu ndavabata vachiba moziva ndakangovatarisa sezvo
ndaive ndakadzidziswa kusapindura vanhu vakuru vachitaura ndakangonyarara
hangu. Amai vakangotora $2 kwakupa mai yava vakaenda zvavo, isu takasara
tikarohwa mongonzwa imi takatozonunurirwa na sekuru. Ndakatsamwa zvekubva
ndanorara Rue akazama kundiita sorry asi handina kumuregerera musi uyu.
"Rue how come you don't learn from your mistakes? Ukuziva ndiwe wakamboita
tinosakura kwavaMutema waba mango? Uchadzidza rini from your mistakes?
Izvozvi wakuenda ku boarding uchanofa nekurohwa ukaita hako zvisina basa izvi."
Ndakanyatsomuudza ndakatsamwa munhu wepi aisadzidza nhai veduwee.
Ndakaona karereka musoro kakuenda panze handina kumboita hanya nazvo.
Mai Nyevero munhu aisave ne pride so vakanga vafunga kuenda nevana netsoka
kunoona baba vavo. Ko handiti vaimbopatikida here pavaigara kumakudoko?
Chaizoshamisa chii kupafamba.
Amai havana kugara zvakanyanya vakabva vaoneka voenda kwasahwira wavo mai
Sharon vaive vati vachanoudza Sharon kuti auye kwambuya kutiona ivo vozouya
votitora todzokera hedu.
Takaswera hedu zvakanaka, Sharon akazouyawo aiwa aive mafaro ega ega kuva
neshamwari yangu iyo. Rue ndiye aingoshuta zvake mafirimu ake ndofunga
aitozviitisa. Pane pamwe akakupira gogo mvura yaive yagezwa maoko nevanhu
hanzi sorry ndafunga igwenzi riya raimbova pano. Mbuya vakaita kubitirirwa
nehasha ndofunga vakanga vakungoti ngakuvire zvana izvi zvichiende.
Mukadzi wa baba wesi akanga atonorara anzi mwana musikana ari mudumbu
menyu mugomuti Ndakaitei. Kkkk vakabva vanorara ko handiti vaida
kuwonererwa vachiti mwana mukomana ari mudumbu mangu chino nechino.
Vausamuziva Rue kuti anogona kukupfekedzesa juzi kuchipisa kana usina
kumujaira waiti audzirwa. Aaaah pamwe ndozvaiitawo sazita wake uhmmm kupa
vana mazita ana tete or mbuya kwakaoma zva Rue zvaitoda jesu.
Ndakazomutsunya akuda kuti ko baba mukagoonda kudaro, akanga ambozvitaura
tuchisuka kuti baba vakuita kunge kamutsunyarunya nemhaka yei nhai Nyevero.
END OF CHAPTER 44
NYEVERO
Chapter 45
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Rue akatanga zvake kuseka kuti nditi aisekei ndakazvishaya zvaisekesa. Ini ndaive
ndototya kurapiwa na baba nekuti ndaingonzwa vanhu vachiti munhu ane chirwere
akaraper mwana mudiki chopera. Wotoshaya kuti healing yacho inenge yafamba
sei by committing a crime.
Ndisati ndapindura ndakanzwa Rue akuti, "saka kutikiira muno asi ndokuti
forgiveness yacho iuye kani? Kasi......!" Ndakamugama Rue asati aenderera,
ndakanga ndafunga hope dzangu dziya ndikaona kuti we have to play it cool na
baba.
"Iwe Rue kasira kunyarara hautaure na baba uchidaro, he is still our father handiti
kuuya kwataita kuvaona it means we forgive him? Baba musazvinetsa henyu isu
takatokuregererai kare kare what you have to do now is to forgive yourself for the
things you do to us. Uye isu tinokudai tichange tichiuya kuzokuonai nguva ne
nguva." Ndakapindura ndakapa ziso raitaura kuna Rue kuti don't speak. Asi
ndaizvinyepera.
"Iyyy Nyevero usati takakuregererai iwe nani? Ita ndakakuregererai uri vanhu
vanganiko unoti taka?" Akadaro zvake Rue achitosimuka paaive.
"Saka wauya kuzoitei pano nhai Rue kana usati wavaregerera baba?"
Ndakamubvunza ndashatirwa.
"Wow wow wow moda kufa zvechokwadi here baba? Mukamwa poison munenge
mazviitira big big favour henyu, you will die quick henyu than kufa nenhamo
nemarwadzo kwamuri kuita uku plus munenge matobatsirawo nesu
hatizombouyawo pano. Ko tinenge tichavinga ani? Ndipei ndikuvhurirei poison
yenyu mumwe mushe." Moziva ndakanyatsotarisa mwana wamai vangu uyu
achiita kurutsa zvake mashoko, ndakapererwa kushaya kana chekutaura Rue aitove
nehunhu we mwana mukomana chaihwo.
Rambwai achinzwa aya mashoko akaita ku boila ne hasha. Akarovera kagaba kaya
kwakadaro poison yese ikarasika, agotora paraffin yaive mu 5l mumba mo
ndokutanga kudira dira imba yese aida kutyisidzira team yake iyi uku achipopota.
Pandakaona baba vakudira paraffin mumba vachitaura zvekupisa tofa tese ndakaita
short prayer mumoyo kuti mwari vapindire tisafira mumba umu. Uku Rue kaive ka
busy kuzama kugwejenura door kuti kabude. Ndakamboda kuseka zvangu nhamo
serugare Rue aitotyawo kufa nhai? Ayas rufu rwakaoma sure hapana anoda kufa
chokwadi.
Ndakaona kamunhu kabata musoro zvino hameno kuti kaive kakufungei, pakarepo
Nama akaiti kwetsu mhere kunge munhu arumwa nechirize. Ndakanzwa vana
mbuya vauya pa door vakazama kuti baba vavhure musuo asi hapana akavaterera.
Baba pavakaona Nama akuramba achichema vakatseta chigubhu chiya
kwakumbomusimudza moyo pamwe waive warwadza hameno.
Mai Nyevero na sahwira wayo vakatandara vakagoita makuhwa ese kusvika apera.
Vakazotorana voenda kwa mai Nokutenda chero zvavo vaisava neushamwari navo
vakanga vafunga kunovapawo invatation card rekumuchato wavo. Pavakapfuura
nepadongo pavo amai Nyevero vakamboyeredza misodzi vachiona musha
wavakavaka nemaoko mairi watotsakatika.
Baba pavakanzwa kuti amai vauya vakatoita manyawi vakutaura zvavanoda. Amai
vakambodeedzera kuti vakufonera police vakanzi inosvika tatsakatika muno.
Ndakatoshaya kuti I type ipi ye demon yaive yabata baba.
"Ndoda vana vangu vasiye pano iwe woenda kunoita chipfambi chako." Ndi baba
avo vakapindura ini ndaisada kuona vanhu vachitukana hangu. Especially my
parents ndainzwa kubatikana zvangu.
"It's okey i will stay here amai modzokera henyu na Rue na Nama." Ndakapindura
ndichisimudza ruoko kuti bopoto ripere pakati pevabereki vangu. Ndakaona mai
vachiratidza kushamisika ne desicion yangu sezvineiwo Rue akabva ati anosara ini
zvangu ndaive ne plan yangu I knew kuti paizopera 3days vanenge vandiperekedza
kuna amai. Saka Rue paakati anosara ndakabva ndatoziva kuti zvangu zvaita ndane
gamba rinozvimiririra.
Semazuva ose amai vaitakura hembe dzekuchinja pese patafamba nekuti vaiti
afamba apota. Amai vakabudisa hembe dzangu na Rue kwa kutitambidza zvedu
ndakanoisa mu room mataida kupisirwa muya. Ndakatarisa zvangu chiso
chemukadzi wababa ndikaona achidinyama haikona kuratidza kusvotwa
nezvaiitika apa nechemumoyo ndakangoti we will meet soon.
"Nhai Tambu ko zvawasiya vana ikoko are they safe? Ko baba vavo vakafunga
kuvapisa zvekare?" Ndi Joze aibvunzawo mudiwa wake maererano nenyaya
yevana nekuti vana ivava aivada sevana vake.
"I don't think so dear, handiti vana ndovari kuda here saka haambovapisa this time.
I will keep on praying for them to be protected always." Vakapindura mai Nyevero
vaine chokwadi chekuti vana hapana chavaizoona nekuti mwari wavainamata
vaimuziva. Hameno mozivawo here mwari wsmunonamata kuti anogona kukuitirai
anything? Or you limit God to your size? Zivai mwari wamunonamata hama and
dadai naye.
"Ko muchato zvauriko next weekend nhai Tambu ko vana valarambidzwa kuuya?"
Joze akabvunza ava worried nekuti aidawo kuti vana vaone amai vavo
vakapfekawo gown ravo kwete kungoona vekuma next door neve pa TV.
"Do not worry about anything dear mwari vanogadzirisa zvese izvozvo kuzoona
tosvika ku next week uko." Vakapindura havo mai Nyevero vairi vakazotaura havo
dzimwe nyaya kwakuzoita ma goodbyes avo.
Amai Nyevero vachisvika kumba vasina vana amai vavo vakatomborohwa nehana
kuti ko vana vaendepi. Vakazotsanangurirwa zvaive zvaitika, havana havo
kukwanisa kuita anything sezvo vana vaive vasara kumba kwavo asi pamba
pakabva patoita runyararo vaive vajaira kuita ngano nevazukuru vavo ava.
"Kana mane mwana anotumika mozotuma ini ndotumwa na amai kana baba
vangu?" Akapindura zvake Rue takagobva taridza chikwee chekusvotesa chiya .
Takaona vobhidhaira vakananga mumba yavo yekurara tikati this is the beginning
muchaudza zvenyu baba kuti vatidzosere kumba kwambuya vedu.
Come manheru vakabika sadza nema vegetables asina mafuta apa amai vaive
vauya ne grocery paine mafuta. Takatarisana na Rue tigoiti kwetsu mhere tichiti
isai mafuta mumuriwo. Hameno ndofunga chemberewo yaive yatoviga mafuta aya
ndakaona vakusumuka kwakuuya nemafuta kwakusvitsa mainini kuti vatiisire
mafuta mumuriwo . Ndakanyatsotarisa face yavo ndikaona haikona vakaita
kufinyama.
Taidya tichirasa rasa masadza nemuriwo pasi zvoita mwana mudiki zviya.
Tichipedza takasimuka kwakugezera maoko mumugomo waive wakazara
wemvura apa kwayaicherwa rwaive rwendo. Takabva taenda kunorara ku bedroom
kwavo ivo vana baba takanowaridza pasi.
"Eh tiri vana vadiki tasiyana nemi makamhanyira dzimba at the age of 15 plus
tatojaira kuitira mumachira amai vedu vanobisa, thank God pano panemi musikana
webasa ambuya havangambozvigona." Ndakapindura zvangu ndakarova ma
serious zvekuti kana Rue ndakaona achishamisika that was my 1st time kutaura
zvakadaro and I was ready to do it kusvika baba vatidzosere kuna amai.
Ndakazenge ndovanzwira tsitsi. Asi Rue akati ndokuti vaudze baba tonzi endai
kuna mai venyu. Takaita mazuva mana tichiita hunhu hwedu uhwu dzimwe nguva
tairamba kudya nema vegetables taiti toda nyama huku dzambuya dzakatofa nhatu.
Ko baba vaizamaka kutifadza kuti tisati takuda kudzokera.
"Nyevero tikaita zvekutamba hatidzokere kuna mhamha iwe, hona vanhu ava
havasikutora kana action. Tazama zvese zvaramba todiii manje? Hona muchato
wakitoswebera toita sei kuti tibve pano? Akadaro Rue .
Joze akanga asisina kuhadzikana aive amirira aneta. Semunhu wenyamawo pane
zvimwe zvinotoda nyama yako. Plus aive akutya kuti mai Nyevero vanoterera vana
vavo zvakanyanya zvino vana zvavanga vakugara na baba vavo vaigona
kuzongonzi amai takuda mugare na baba. Aita seachamhanyisa calender kuti 8
days dzaive dzasara dzipere.
Amai Nyevero nekufungawo vana vavo semunhu aive asina kujaira kusiyana
nevana vake. Vakanokumbira baba vavo Prado yavo vaisada kuenda ne benz yavo
nekuti vanga vasina kuudza Joze kuti vakunoona vana. Baba vavo vakatomboda
kuvaperekedza vaida kunoona ainzi Rambwai wacho asi amai Nyevero
vakavarambira kana Nama vakamusiya na Tino kwa gogo vavo.
Vakarova mota vakananga pamakudo zvavo. Havana kuziva kuti vana vavo vaida
kushuta mafirimu pamba pambuya vavo.
Na Rue takanyatso..............!!!
END OF CHAPTER 45
NYEVERO
Chapter 46
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
"Ndiripo hangu Nyevero ndatoti ndidarike nepano ndanzwa uripo ko kurega kuuya
kutora ma results ako kwakanaka here?" Vakadaro madam vaya vachitofamba
kuenda havo. Ko ini ndaive ndatovarairwa kuti ma results achada kutorwa uncle
vaive vati vaizonditsvakira nzvimbo January sezvo vaive ne connection.
Pandakasvinura ndakaona amai vangu misodzi iri mokoto mokoto. Vana ambuya
vaive vakamirawo vachiratidza kusuruwara. Ndakazama kusimudza musoro
zvakaramba.
"Mhamha mukuchemei? Ko Rue aripi? Ko ini ndikuitei muno?" Ndakabvunza
nezwi raive pasi pasi nekuti kutaura kwaitondidzimba.
"Garai zvenyu pa chair apo amai." Vakadaro doctor vaya amai Nyevero vakagara
pasi hana iri mumaoko chaimo.
"Nhai Tambu mwana akaita sei? Don't tell me arohwa kwavanga vari uko."
Akabvunza Joze vavaviri uku aita kudedera nehasha.
Mai Nyevero vakashaya kuti votanga sei. Vakazotorangarira kuti vanga vasina
kuudza Joze about the journey.
"Nda-nda-ndaaa- ndandanoona vana pandati ndikone pane imwe curve so vana
vabuda vachimhanya ndopandaduma mwana. Apa anzi she might not walk again
ndaremadza mwana wangu ndega." Vakadaro mai Nyevero nekutanga kupfikura
kuchema.
Joze aive nezvakawanda zvaida kubvunza umwe wake uyu asi ne situation yavaive
nayo akati aizobvunza zvinhu zva normal. Vakaperekedzana kumba kwana mai
Nyevero vakatora zvavaida ndokunosiwa kuchipatara.
"Rue arikumba my angel haana kukuvara. You will be fine soon our God is good
God he will never put us to shame handitika? Don't worry angel you will walk
again and you will go to boarding school." Vakapindura amai vakabva vaita
sevaona zvandaifunga mumoyo mangu.
Mom feed me zvavanga vauya nazvo thank God ma doctors they allow her to stay
with me maybe vakatopiwawo chioko muhomwe hameno.
"Mhamha ndaona madam vangu vati ndiuye kuzotora ma results, can you please go
and collect for me tomorrow dakuziva ndakapasa here. Ndoenda hangu pa local
school mhamha kana ndatadza kufamba kwamunondiendesa nemota nekuuya
muchinditora." Ndakapindura nekusafamba kwaita makumbo angu i knew i will
not walk again so easily.
Takazorara zvedu asi ndainzwa pain makumbo aya aita seakudambuka. Chifumi
amai vakazoenda kumba vana gogo nana mainini vauyawo. Ndakafara kuona
mwana wamai vangu ari right, apa ndaibvunzwa mibvunzo yakawanda wanda
vanhu vakazodzokera ndikasara zvangu ndega. Chandaingoita kunamata kuti
ndifambe zvekare.
Amai Nyevero vakakumbira Joze kuti avaperekedze kuchikoro kwana Nyevero
kunotora ma results emwana wavo . Ivo vakanga votya ku driver nezvaive zvaitika
izvi. Munzira hapana aitaura neumwe hameno umwe neumwe aifunga zvake.
"Chii chaiita mucheme nhai mai Matsvai?" Shasha yakabvunza ichipukuta mudiwa
wayo misodzi pamatama.
Vakatanga vaenda kumba sezvo visiting ya1 yanga isati yakwana. Vaida kunotora
vamwe kuti vaenda ka1.
"Ma results ako aya Nyevero ndaziva mhamha vachaakanganwa saka ndaatora,
vhura tione wakabuda nemangani?" Akadaro Rue achinditambidza ma results
angu.
Pandaka. ...........!!
END OF CHAPTER 46
NYEVERO
Chapter 47
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Ini misodzi yanga yava muchiuno zvekuti dai ndaigona kufamba dai ndakamhanya
ndakazvirovera zvangu pasi. How come kubuda ne 34? Nemagonero andaiita?
Amai vakauya pandaive vakundinyaradza.
"Nyevero Mabinga 34 units. Ko mhamha why mauya nema results asiri a sisi
Nyevero? Aah mungauye nema results emusikana uya wekwaMabinga uya aitove
mu grade 7D neudofo uya?"
Akadaro Rue ndakambomira kuchema kwakuti Rue andidzorere ma results aya.
For sure ndakanga ndisina kuzotarisa zita pandakangoona 34units. I was hurt
veduwe kuti chero dai ndakafoira? Zvekusvika mukuvhara kudaro aiwa ndakanga
ndarwadziwa.
Pandakapiwa ma results zvekare naRue ndakaona sure aive a Nyevero asiri ini
aitovewo zvake mugrade 7D mema dofo aitopinda mu top 10 mu class mavo
nehudofo ihwohwo.
"Mhamha, ko why mapiwa ma results asiri angu? Or you want to tease me?"
Ndakabvunza amai ndane kakunyevenuka pamoyo.
Amai Nyevero vakaona kuti chokwadi vanga vaita chidofo kana kumbotarisa zita
vanga vasina zvavo. Kana iye Joze akanga angoshama muromo kuti ko why vasina
kufungawo pfungwa yekuita cross
Check pazita apa.
"Dai wanga une 34 waitonodzidza kwa bushu iwe Nyevero, aah ende ndaikuseka
maiwe tenda mwari kuti haasi ako ma results aya."
Akadaro zvake mafirakureva Rue. Takaseka zvedu tese vakazondisiya havo ndega
vodzokera kumba.
"Ko zvaunenge wachinja face zve nhai mhandara yangu hanziiko na sisi Sharon?"
Vakabvunza amai vaona ndane sad face.
"No my angel you will go kumuchato woda ndichate usipo here nhai dangwe
rangu?" Amai vakazama kundinyengerera asi ndakaramba. Vakazoti
vaizonditsvakira munhu wekusara hangu naye.
Weekend yakare yakare ndoyakasvikawo brother vauncle ne sister yavo.
Vakatouya kundiona kuchipatara vakanga vaudzwawo about my situation
vakandigira wheelchair ndakabva ndatobuda hangu muchipatara ndoenda kumba.
It was hard kuve pa wheelchair veduwe. Takatanga taenda kumba kwana uncle
kwaive neve London uko. Iyyy iyy veduwe vanhu vaisadada zvavo ivavo, kwete
zvevamwe vanhu vatoona vanobva kana paJoni apa anoita seauya ari pasi pemvura
pasingauyi nevamwe. Vana vavo vaisambodada vakaswera vachindipusha zvavo
tichitamba zvekuti kana ini ndakatombomirawo kufunga zvakawanda wanda.
Amaiwo vaingove na maiguru vavo mukadzi wemukoma wauncle hameno
dzavaitaurawo.
Takuda kuenda ndakapiwa bag rehembe dze UK dzangu nevanin'ina vangu amai
vakapiwawo ravo. Takazoperekedzwa zvedu na uncle zuvarodoka kwakunosiiwa
kumba. Ambuya pavakandiona ndiri mu wheelchair vakachema vakati vaizosara
zvavo neni vamwe vachienda zvavo kumuchato.
Vakasvika pasina kana anovachingura. Munhu wese akaramba akagara paive amai
ndovakasimuka vachitopinda zvavo mumba.
Vakasvikomhoresa vanhu vese isu takangotiwo makadiii baba zvezita.
"Asi.......!"
Hakana kupedza kutaura Rue ambuya vakabva vabvunzawo baba mubvunzo.
"Nhai baba Nyevero asi pakukwira bus kani paMabika kuuya kuno? Kwekuti moti
maive musina mari ye bus? Kubva mashaya hanya nemwana wenyu kudaro?"
Baba vakangobwaira bwaira maziso. Rue haana kuzombomirira mhinduro ya baba
akabva auya kundipusha tikapinda mumba maive na mhamha.
"Mai Mabika garai neapo, ko madzoka zvekare asi makuda kutotsvaka nzvimbo ya
Nyevero yekudzokorora kani? Haaa nekuti mafoiriro ake haaite mhani, this time
totomubisa mu A ombopinda mu C chaimo."
Vakadaro zvavo mukuru wechikoro uya ko vaitofaraka kuti akafoira sisi
vemusikana wekumbomutuka. Isu toziva ma headmaster will be proud ne vana
vanenge vachigona pachikoro than kuita jelousy rakadaro. Thank God Joze aive
asara kumota nhaka aitazve BP mai Nyevero vanzi mai Mabika.
"Aiwa sandizvo zvandavinga sir, ndatodzoka nema results amakandipa aya haasi
emwana wangu aka....!"
"What do you mean kana muchiti haasi emwana wenyu? Saka mukuti ndiani
akamunyorera? Akafoira akafoira please if you can excuse me dakuita basa rangu
muno." Vakagama mai Nyevero Head vaya vasati vambonzwa zvaida kutaura mai
Nyevero.
"Asi hamuchaona kani nhai head? Inga hamupfeke ma glass wani. Moziva here
zvamakaita zvosungisa? Ko dai Nyevero akaita heart attack paakaona ma results
iwaya? Maresults akanzi Nyevero Mabinga aya Mabika na Mabinga
zvakazofanana riini zviya?"
Kakataura Rue amai Nyevero havana kuona kuti Rue aive avateera kaive panze
zvako kachinzwa nyobvo yaitaurwa na headmaster iyi. Hakana kuda
kumbotenderera kakabva kananga papoint. That's was Rue for you ainanga pa
point not kutenderera munhu.
Vakatambidzwa ma results aya for sure aive asiri a Nyevero Mabika. Vakazama
kutsvaka a Nyevero chaiwo vakaona pasina kwakutarisa panosainiwa nevatora
vakaona Nyevero Mabinga aive akatotora ake. Which means anga akatoenda nema
results aNyevero. Head vakadikitira vapererwa zvino.
"Please forgive me mai Mabika that was a big mistake I'm so sorry sure mweya
weruvengo ndowakanga watondipinda murume mukuru."
Vakademba demba head vaya.
"Zvowanikwa sir it's okey handei hedu toona kwakenda ma results acho nguva
ichipo." Vakadungamidzana vakananga kumota Joze akasvikopirwa nyaya vaka
driver kunosvika kuya. Kwaive kumaraini avakanga vakugara ekuGombe ndosaka
Rue akakuziva.
Uyu wekutora ma results ane surname isiri yake kana kumbozviona chero
nevabereki vacho kunenge kwaive nehudofo hwedzinza rese kumba ikoko aah.
Variko asi vabereki vasina hanya ne work yevana pamwe akangoti ndapasa vakati
ehoi vasina kana kutarisawo. Tarisai work yevana veduwe handiti kubhadhara mari
moda vadzidze? Saka onai zvavanenge vadzidze zvachoka nhai.
Vakafara kuona ma results a Nyevero asi changa chodiwa kuti mwana afambe
agokwanisa kuenda ku boarding zvakanaka.
"Look for yourself madam Mabika."" Akadaro Rue achitaridza bepa riya kwandiri.
Ndakabva ndato planirwa ka party kekupasa kakaitwa team following day kumba
kwa gogo Matsveru. Pakafariwa veduwe Sharon na mhamha vake vaivepowo but
ndakaona kuti shamwari yangu yakabatikana kundiona ne situation yandaive
akakumbira kusara akabvumidzwa zvake uye kumuchato akabva atiwo haachaendi.
Ndakafara veduwe atleast ndaizowana wekutamba naye.
Masikati eChishanu vanhu vese vakanga vaungana veukama vese. Vekwa sekuru
Matsveru nevekwaMapako pane imba yasekuru Matsveru yaive ku Warrenpark 1
ndokwaienda hama dzekwaMatsvai nedzekwaMapako kunomirira zuva guru
raiteera. Ambuya vakazoti tiendewo ku Harare kumba kwa tete kwaive na amai
kuti tigoona hedu vachipfekedzwa gown ravo. I agree for th sake ya gogo
otherwise ini ndaisada kunoshungurudza amai.
Ndakanga ndatoshaya amai ko vanga vava ngirozi zve imi yuwi ndaimboziva
munhu anogadzirwa kudaro kana akuda kuchata? Iyyy iyy asi dai vanhu
vachizogara vakanaka kudaro kani zvino after wedding haaa unozombomuda here
munhu wamuona asina make up imi ka imi. Ko iyo make up yacho ukaiona yoitwa
nevamwe hauzomboida kana pamuchato pako.
Hapana kurarwa musi uyu vanhu vachiimba nekutamba. Dai ndaigonawo kufamba
aah hameno nhaka.
Joze haana kurara achifunga zuva guru raizoteeta iri raakanga amirira kwenguva
refu. Vashoma varume vanozvigona. Umwe akangobisa ka $ kake kumba kwenyu
akutokuudza kuti saka chekumirira 9 hapachina. Vakomana wee some things are
worth waiting for. Mai Nyevero ndovaingovawo ne stress yekuti handichazvara
ndichadii. Asi mwari ndovega vanenge vachiziva some of things hatifaniri
kuzvinetsa nekuti we don't have control over it.
Rambwai akazama kutsvaka mari yekuenda Harare aida kunoporonga iwo muchato
waive anzwa kuti ukuitirwa ku Glenloern. Asi mari yakaramba kubatika
zvekumhanya zvekuti dai paisvikika netsoka dai akaenda.
Kwakayedza vanhu vakachena chena zvavo sezvo muchato waitanga na8. Sisi Rue
kuzofitwa mwana wamai vangu. Vanhu vakapedza mota yemuchati ikauya amai
vakaenda na Rue sezvo ariye aiperekedza. Nama na Tino vakazoteera nedzimwe
mota, ini Sharon na gogo takasara zvedu nekuchenawo kwedu chandaiita kunamata
chete.
Rambwai manheru eFriday akapinda mumba mamai vake ndokuba $10 yaivemo.
Shasha yakamukobata jongwe muromo yakananga kuma comb kwaMarenga.
Haana kunonoka kuiwana transport shasha yai planner kwete kutamba.
Kuma 9 ndakanzwa..........!
END OF PART 47
NYEVERO
Chapter 48
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
*Kuma 9 kuseni ndakanzwa kuvaviwa muviri wose nekuita kakupera simba, uku
ndaingonamata hangu mumoyo mangu ndichiti mwari ratidzai ukuru hwenyu.
Ndakatanga kukwenya zvine simba kuita semunhu ane gwembe imi,
ndakatombofunga kuti asindaisirwa hurukuru thank God Rue aive asipo chokwadi
dai aivepo ndakatofunga kuti ndiye. Ndichiri mukugwabvura kudaro ndakatanga
kubvunda, kugwagwadza muviri wose. Makumbo akatanga kuita ku shaker aya
nekuita simba randakatya neniwo.*
Imika! Paiva nezvemuchato ipapo uye vanhu vaiva mavhu nemarara ungazomboti
ndi mai vangu vaya vaimukira kumaricho zuva nezuva here vatounganidzawo
mhomho yakadai? Kana Rue waizomboti ndivo sisi vekumakudo vaya? Takagara
zvedu nechekumashure tichiona zvedu zvainge zvichiitika. Mai vangu vaiita kunge
kamusikana zvako. Muchato wakafamba mufundisi akabvunza kana paine
aisawirirana nekuti vairi ava vaenderere mberi nemuchato. Takatarisa kwese kwese
hapana akasimuka. Mufundisi vakuda kutoenderera ndopakasimuka umwe
mukadzi aive akazvivhara face.
"Handisi zvangu kuda kudziisa muchato asi ndangouya kuzotora mwana wangu
Tinotenda haana ukama na baba varikuchata ava, uye ndinoda kuti kuna Joze uve
neupenyu hwakanaka. Ndatenda."
Vakadaro mai Tino nekunonga mwana wavo kwa kuenda vanhu vese vakabata
miromo.
Mufundisi vakati,
"Brother Jose taurai mashoko aya mumashure mangu mobva mapfekedza mumwe
wenyu ring.
Mufundisi akataura mashoko mamwe chete iwayo kuna mai ivo vakaita zvimwe
chetezvo. Mai vakapfekedzawo uncle ring yavo.
Mai vakati bvisei muromo wavo pane wauncle Jose kwakutarisa kwandaiva ndiri.
Vakabva vandiona ini ndichibva ndatanga kuvawaver. Ndakaona vashamisika
kundiona ndakamira ndega. Ndakaona vakusekerera ndikaziva kuti mai vandiziva.
That was the only gift yandaida kupa amai pamuchato wavo.
Vachibva ipapo vakauya nepataive amai vakandimbundira nemufaro ndakaona kuti
vaida kuchema ndakavati mhamha you will ruin your make up. Vakaseka zvavo,
takaenda zvedu kunotorwa ma photos zvandaidawo kuzova pamapikicha emuchato
waamai vangu.
Zvipo zvakabviswa pamuchato apa waiti asi vanhu vatopedza ma shops ese kani
ko iyo mari aaah aah vanhu vanenge vachingochema mari asi vainayo zvavo
mudzimba umu. Mari yese yakabiswa yakasvika $20000 midziyo hatichatauri
sekuru Matsvai vakapa vachati mota iya inonzi Audi yerudzi rwe silver. Vaiita
sevarikuita makwikwi kani sekuru Matsveru vakapawo imba yaive ichangobva
kupera kuvakwa ku Zimre park uko.
Moyo wekuti ndi baba vangu wakarwadza pandakaona Nama kagara pa side
nababa. Ndakanotora plate yechikafu kwakuvapa Rue aive akamira zvake.
Vanhu vakazoparara zvavo tikadzokera kumba kwa tete kuya. Zvese zvaive
zvabiswa pamuchato zvakaendeswa kumba kwa uncle Joze varidzi vaizouya voona
zvekuita nazvo vadzoka. Isu takazodzokera kumusha Monday takunogadzirirawo
zvekuenda kuchikoro. Apa ini moyo waifara ndaizivaka ndakuenda ku boarding
ndakanga ndatononokerwa nekunonyora ma book akawandisa aya.
After one week amai na uncle vakadzoka takaigirwa hudobi dobi kani. Amai
vakanga vakugara kumba kwana uncle Joze zvakambotinetsa kusagara namai vedu
asi ambuya vakatishingisa kuti ko pataizoenda ku boarding taidii.
Sezvo zvikoro zvaive zvasara mazuva mashoma kuti zvivhurwe amai vakangonoita
chiroora kwe 2days vakabva vatouya kutitora toenda Harare. Takapinda busy
veduwe yekurongedza midziyo yaishandiswa na uncle yese ku cottage takuisa zvi
new one mumba.
END OF CHAPTER 48
NYEVERO
Chapter 49
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
Ndoaive mashoko amai vangu aya, chokwadi ndakanga ndazvipira kuita zvema
book, yangu shuviro ndaida kuzovawo chiremba wamangwana ndigokwanisawo
kubatsira vanotambura.
"Aah vana Nyevero makutaura chirungu ku boarding nhai? Ndi Rue havasi
mhamha ndati nditaure newe mhamha vakuda kudzokera ava." Akadaro mafira
kureva, ndakaseka zvangu ndikamuudza reason why ndaive ndadaro.
"OK mom I will never disappoint you ndichadzidza nesimba and I will make you
proud one day." Ndomashoko andakapindura amai vangu. Takaita ma goodbyes
edu uncle vakabva vasvikawo vakazotaurawo na sisi Rue.
"Nyevero this is your new school chandinotarisira kudzoka pano ku visiting kwete
ku hearing yako. Wish you all the best my daughter." Ndomashoko akataurwa na
uncle aya ndakagutsurira musoro kuratidza ndanzwa zvavataura. Uncle
vakazodzokera havo vakasiya vatondibatsira kuwaridza ka bed kangu kwainzi
kuma dom kwataigara. Ko ndaifunga kuti kuboarding unenge uine room yako
wega zve ayas kusaziva kufa sure. Takatorwa ndokunoratidzwa hedu yard
yechikoro nezvese zvataifanira kuziva ndokuzodzokera hedu kuma dom kwedu.
"I'm Nyevero Tagara may i know you?" Akadaro musikana uya. Ooh my God
Nyevero zvakare ndakati mwari itai asave mu same class neni nekuti airatidza
kuva nedzungu rinozadza rusero chairwo.
Sisi Rue kuchikoro vakawana kune team raive nebhero rekungwarisa kudarika
ravo asi nechemumoyo shasha yaiti ndichakugadzirisai zvangu. Shasha yakanga
yakadzikama ichiona zvayo semunhu mutsvawoka pachikoro unombotanga
wachecker ma settings.
PaMabika pamba pana Rambwai paitonzwisa tsitsi, Rambwai aive afamba mazuva
matatu kuti asvike kumba tsoka idzi dzaive dzakuita sezvitanda kuzvimba. Ko iko
kuwedzera kuonda nekurwara kwaanga oita, ko aitadza nei iye aive asiya mapiritsi
maaifamba namo aifamba achikumbira chekudya nepekurara pamwe aipiwa mvura
chete.
Paakasvika kumba kana mai vake vaida kumupopotera mari yavo asi vakatonzwa
tsitsi nezvaive zvakaita mwana wavo. Ko moyo wekuberekaka wagara
unotorwadza hakuna ukaona mubereki anorasa mwana wake uhhhhmmm hameno.
Pana mai vandoziva mwana wavo akavabira $200 vakanomurovesa ku police asi
paakanzi aba ku next vakamurambira kuti wangu haadaro kana muri kuti aba oyi
mari yenyu. Wotoshaya kuti ko paya paakaba yavo why vakati ndiye aah hameno.
Rambwai aive aive murwere anotoswera akarara zvekuti aifanira kutombomwa
mapiritsi nekudya zvakasimba kuti apike. Apa dumbu ra sisi dhori raikura ko
yaifambaka mwedzi apa kana nechipeneti vaive vasina hameno vaida kuzomubata
nei mwana wacho.
Iye kana kumuka kwaive kotomunetsa kugara aitoisirwa pillow. Aive ongodemba
demba kufa pamwe vadzimu vaive vomudeedza hameno.
Mafaro akanaka kana uchiziva pekugumira nekuti kana wamu situation seya
Rambwai iyi vese vawaifara navo hauvaoni or kunzwa nezvavo. Vanenge
votokuseka kuti aifunga zvinoenda nepi.
Joze akadzokera zvake kumba akawana madam vaako vakanodya zvavo out
vachifara. Vakaronga kuzonotsvakira sisi vadiki nzvimbo ku creche sezvo vanga
vave ne 5years ko ivo vaimbodawoka kuswera vari vaviri vachitamba chikudo.
Chitsva cheumwe chitsaru cheumwe veduwe Joze aitove mudenga rechinomwe
nemhandara yake Tambu ko kutyei iye anga awake.
Ndakabva zvangu panze ndaona sazita wangu auyawo panze. Akatoona ndaimu
avoider ndakazoona ave neumwewo musikana aigarawo mu same dom nesu.
Nguva yekudya yakakwana takaenda kunodya, ndakati asi vafunga i tea time?
Sadza nemazibeans aah ko ndaiti ku boarding kuchirunguzve ini. Takabva taudzwa
time dzataidiwa pa assembly zuva raitevera uye time yatainodya tisati taenda kuma
classes.
"Saka mwana wedu wechi 4 tomuti ani nhai mai Matsvai." Akabvunza Joze
akatarisa mai mwana vake mumaziso chaimo.
Pfungwa dzakati tisvikewo pano. Saka iwe unoti zvawakaroorwa na Joze asina
mwana achada vako kusvika kupi? Uchaita sei iwe usisazvara? Achanotsvaka
anomuitira mwana kunze uko iwe handiti hauchabatsira? Ipfungwa dzavo
dzaipishana idzi. Chavakakwanisa kuita kupfugama mu toilet muya kwakunamata
vachisira zvese kumusiki. Ko Mwari ndovega vanokwanisa kuchinja zvinhu even
kuita kuti zvisipo zvivepo. Nothing is too hard for the Lord and nothing is
imposible with God chavanoda mwari kuudzwa he won't act until you tell him your
situation.
Joze akasara aka feeler guilt kuti pamwe zvaataura zvarwadza umwe wake. Asi iye
aitotaura mukutamba neumwe wake akaendawo ku toilet kuya paakawana mai
mwana vachinamata akasvikopfugamawo ndokuvabata maoko vakatanga
kunamata vese, vakazobva havo mu toilet muya vakunorara.
Mai Nyevero vaive vati havadi maid vairara vaita basa ravo vomukoendesa mwana
ku creche vozoendawo kwavo kuma lesson. Aiwa zvaiendeka pamba pa baba na
mai Matsvai jnr apa.
Ndaka.........!!
END OF CHAPTER 49
LKE OUR FB PAGE AKA HEATHER STORIES FOR MORE STORIES AND
SHORT STORIES
NYEVERO
Chapter 50
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
"Asi haunzi Nyevero kani? Iyy mutumwa haana mbonje asikana ini ndangonzi
ndipfuure ndichikuudza zvakwauri kuenda kana kurega." Akadaro musikana uya
kwakutoenda wena. Ndakashaya kana zvekuita veduwee apa amai na uncle vaive
vakamirira mhinduro.
Ndakasvika ndichiita kufemera padenga kunge ndere, uku hasha dzandaive nadzo
dai ndakawana arimo taitombomarana. Ndaisagona zvangu zvibhakera asi musi
uyu ndaive ndazvipira kumbomukanda zviviri zvitatu. Ndakawana sazita wangu
asimo zvake ndakazama kutsvaka musikana uya aive atumwa wacho asi
ndakamushaya.
Prayer inoudza peace mufunge after prayer ndakatanga kunzwa zviri nani. Kana
hasha dzakanga dzaenda ndakanga ndato worried na amai kuti ko vanga vorutsei?
Kuti ndaive ndavatsamwisa zvekusvika pakurutsa? Uhmmm hameno mwari.
Ndakadzokera zvangu ku dom kwakunorara paka bed kangu ndoverenga hangu
Geography sezvo taive ne test Monday yaitevera.
Joze akamhanya nemukadzi uyo aive ongorutsa better maive neka bucket
mumotamo nhaka dai mota yakazara. Haana kutozoenda ku Harare akamhanya pa
Bindura hospital vachingosvika pa gate mai Nyevero vakabva vamira kurutsa
kuya.
"Nda bhoo ini shamwari handei kumba dakunorara ndikunzwa hope chaidzo
ndofunga izuva rekwatabva uku rinopisa kunge moto." Vakataura mai Nyevero
vachivhara ka bucket kaya kwakukaisa kuseri kwe seat ravo.
Uyowo Joze kamwe kamoyo kaifara aifunga mukadzi wake ane pamuviri, asi
dzimwe pfungwa dzaimuudza kuti wakarora mukadzi aguma ura iwe don't expect
mwana kubva
kwaari.
Mai Sharon vakapa Rambwai ka 10$ kekuti aende kuchipatara. Akasvikopiwa bed
straight nekuti aive asisatombotarisiki. Atumbwa vaive vodida zuva nezuva
kunoona murume kwaMutambinda. Vamwe vezera rake vachisvisvina mabook iye
ari busy kupepa munhu akainzana na baba vake. Upenyu haudi kudai ndiwo anonzi
mandikurumidze akazvara mandinonokera manje aya. Chaaive agona chii apa? Be
careful with the decision you make in life you will become a slave to those
decision one day.
Prefect aive mu class mavo akanga asisina nharo na Rue akanga agadzirirwa size
inoshinya chaiyo. Ndichazokuudzai zvaakaitwa umwe musi nhasi ndiri kumhanya.
Mazuva akafamba zvawo ndakanga ndakutya kutaura na amai ndaingoti ko
ndikabvunzwa nezvenyaya iya ko ndaizivei kuti kwavari zvazvatopera.
Ndakarohwa nehana musi wandakadedzwa na madam ve history vachichiti
ndikudiwa na amai pa foni.
Takazotaura zvedu dzimwe nyaya achindiudza ma version ema firimu aita zvake.
Ndakazotaurawo na mhamha na uncle i was surprised they didn't ask me anything
panyaya yangu. Takaita our goodbyes ndikapa madam foni yavo ndodzokera
zvangu kunoverenga.
"Eeh moda kutiudza ipi nhasi? Magariro ako aya une nyaya iwe, tora book iro
tiverenge makuhwa toita later." Ndakamudaro ndichitoseka zvangu.
END OF CHAPTER 50
NYEVERO
Chapter 51
Story by Heather
(H.M)
(+263735042728)
"Hesi Nyevero, wadonhedza report yako iyi pawadzaka mu bus so i ask my driver
to follow your car kuti ndikupe report yako." Akadaro Takunda achinditambidza
report yangu.
Ndakaita kutura befu rakavhundutsa na uncle ndisati ndatambira report iya.
Chokwadi kana wanga wakatarisira horror kubva kumunhu akaita the opposite
unoita imwe relief yakaoma.
"Thank you Takunda you save me, thank you so much may the Lord bless you!"
Ndakataura ndichitambira report yangu iye hanaana chaakataura akatendeuka
odzokera.
"Yanga iri pai report nhai Nyevero? Next time be careful with you staff okey?
Unovaziva mhamha vako nhasi wainoitwa kanyamakanyama." Vakadaro uncle
vachiseka zvavo. Ndakatozoyeuka kuti ndaive ndakabata report pamakumbo mu
bus tichiratidzana na Natasha i think pakusumuka yakabva yangodonhawo pasi,
ininekufarira kuenda kumba handina kuzombofunga kuti ndandakabata report.
"Nyevero I'm sorry for what I did last time pakauya vabereki ku visiting nekutuma
munhu akakuti ukudiwa kuma toilets I'm so sorry ndaida kukuwachisa pavabereki
vako, but now i realise you are a good person. Once again I'm so sorry." Akadaro
Takunda uya achiratidza kurevesa.
"It's okey Takunda apology accepted, but don't do it again not to me or anyone else
okey?" Akagutsurira musoro ndokudzokera zvake kumota kwavo.
"Chibvai matipa hedu report iyi tione musati mairasa zvekare." Vakadaro uncle
rumwe ruoko rutori pa starring. Ndakavatambidza report yangu vega vakapa
kutenda chikoro here aiwa taive takapiwa njere nedza baba vaive vasina musoro
nedzavo njere, hamenowo Nama kana aizoita dofo kuti aizotodza ani.
"Hi momy, how are you?" Ndakadaro ndichimbundira amai vangu vaive
vakanyura zvavo mumutefe tefe we leather sofa.
"My angel how are you? Makapasa here vatete?" Vakapindura amai vachipa Rue
sign yekuti auye ne report yangu.
"Ini hangu ndosara na Aunt pano or kuenda kumusha kuna gogo." Ndi Rue uyo ko
aive anzwaka yendege kana ini ndaitya uhmmm. Takazonyengererwa tikabvuma.
Weekend yakasvika tikano flyer but this time it was different hatina kana kuchema,
kana kurutsa zvaingoda Nama aisaziva kuti kunze kunei pamwe aitoti i bus
hameno. Amai ndovakatoita marambandege musi uyu vakasvika Kariba
vachingorutsa.
Monday makuseni seni amai vakamukirwa navo kwa doctor vakamboda kuramba
asi vakatonzi hande.
Mr & Mrs Matsvai how are you? Marova nei kudai garai zvenyu pazvigaro apo."
Ndi doctor vakataura vachipfeka magirazi avo.
"Thank you doctor, tauya nekanyaya kadiki diki zvako. Amai varikungorutsa rutsa
toda muvatarisire kuti chii." Akaindura Joze.
"Doctor please please don't play jokes with us here imboitai zvebasa, you mean my
wife is really pregnant?"
"Yes sir, your wife is really pregnant and one more thing amai vakatakura mapatya
ava marangarirwa nedenga baba you still remember our tests last time right? Your
God is a great God Mr Matsvai here you go." Doctor vakadaro vachi shaker Joze
maoko uye kumutambidza ma results avo, mai Nyevero yanga yangova misodzi
yega yega misodzi yemufaro ndoyaive yongooerera uye kurumbidza Mwari wavo.
Mwari aive anzwa kuchema kwavo, eeh hazvo Joze aive abvuma kuchengeta vana
vavo asika aizodawo wake mwana. Ukuwo Joze aifara kuti zvake zvaita paakaziva
kuti Tino haasi mwana wake akanga aenda kuma tests akanzi ane low what what
what wee hameno iya yekuti murume anogona kutadza kuita mwana, izvi aive
asina kumbozviudza mai Nyevero kana ani zvake yaive secret yake ega.
Joze akabva atofona kubasa kuti ma meetings ake ese akanzurwe. Ko anga ane
mufaroka aida kunoswera achitamba nezvaive mudumbu mavadzimai, vakabva pa
doctor paya vonanga kumba.
"Saka mai 2 vana venyu ava moda kuvati vananiko?" Akataura achipuruzira
dumbu remukadzi wake.
"Zva mhazi veduwee tononzwa nana sisi vacho kumba uko." Vakapindura
vachinyara nyaya kunge mhandara iri kupfimbwa.
"Ini zvangu ndoda kuvati Ropafadzo and Ruvimbo nekuti nekuvimba nashe
taropafadzwa nechipo chevana ava." Akapindura Joze amai Nyevero vakaseka
zvavo vachiti akuudza vasikana ndiani. Vakazotaura nezve ma twins kusvika
vasvika kumba Joze aingoti vasikana aida mai Nyevero vasaita stress yekuti ko
vakazvara vasikana zvekare kwaari aiti mwana chipo kubva kuna mwari.
Takanga takagara takangoisa meso ku gate kuti ko vanhu vati vanodzoka izvozvi
vachiri kupi.
"Nyevero vana mhamha vauya." Akadaro Rue aona gate richivhurika takamhanya
kunomiririra pa mota.
"Come here my angels i have good news for you, mom is going to give you other 2
siblings soon to play with saka tsvakai mazita ekupa vanin'ina venyu." Vakadaro
amai ndakabva ndaziva hangu zvazvaireva mhamha vanga vane nhumbu ndakafara
veduwe ndaingoti dai vakaita vakomana.
Musi uyu takanodya out uncle vaive mudenga rekupedzisira nemufaro kana amai
vaifara that's all I ever wanted to live a happy life with my parents chero hazvo
vedu baba vaive vazvitadza.
Rambwai akanga achizopikawo zvino asi nyaya dzaionekwa kuti munhu murwere
uyu. Ugoona vamwe vaimwa iwo mapiritsi aya waiti ukasaudzwa kuti anorwara
hawaimboziva. Asi bhudhi Rambwai hameno kuti vanga varambwa nemapiritsi
here kana kuti. Rambwai akaudzwa aizobuda zvake muchipatara weekend oenda
kumba asi akakurudzirwa kudya nekumwa mapiritsi ake zvakanaka.
"Aiwa Nama vana Two vari mudumbu ma mhamha vachauya manje manje vana
bhudhi vedu." Akadaro Rue achitodzokera mumota. Ndakaona face yababa yaita
kupusa ndakaziva vabatikana wesi pakabuda amai mumota vachirutsa baba
vakangoridza tsamwa kwakutanga kufambisa vachienda. Zvakandinetsa kuti ko
munhu anga achinanaidzwa akufamba kudaro indava.
END OF CHAPTER 51