You are on page 1of 26

[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Why My Mother Why?

Chapter one Story by precious Chikwengwe


_________________________"Kungava kurara here ukulele? Manje Mhamha kana vandinzwa ndichiimba
panze vakanyepedzera kurara, nhasi ndoda kuvagadzirira size chaiyo."Ndakanyahwaira ndisingade kunzwika na
Mhamha apo ndainge ndabva kuchikoro, nekuti ndakasvika vakarara pasofa asi vainge vakagara.
Ndakanyahwaira zvangu ndichidarika nemu dining ndichienda ku spare kwangu, ndaida kunobvisa uniform
ndozodzoka ndova vhundutsira. Ndakabvisa hangu uniform yangu, ndokunyahwaira zvee ndoenda ku
kitchen ,ndaisada kuti Mhamha vandinzwe ndaingoda kuzova vhundutsira chete. Ndakapinda mu kitchen
ndovhura mapoto, ndaka gwedebudza pese kutsvaga chikafu ndakachishaya. Ndakanzwa hasha nokuti Mhamha
vaivepo, ndakabva ndati, why my mother why, kusabikawo shuwa here ini ndaswera kuchikoro. Ndkafambisa
ndichibuda mu kitchen painge pasisina zvekuhwandirana bcoz nzara yangu ndiyo yainge yotonga manje. But
kubva rinhi Mhamha shuwa musingazive nguva dzandokumuka. Ndakafambisa ndakananga paive na Mhamha,
"Mhamha askana but iyi haisi doing mungarare here veduwe musati mabika. Ndakavabata pa bendekete
ndovazunza zunza kuti vamuke, asi Mhamha havana kumuka, ndakavaita zvekuva vhura rimwe reziso rainge
rakatsinzina,ndichida kuona kana vainge vakarara zvedi. Mhamha havana kana kupfakanyika, ndakatanga
kuvatekenyedza, ndakagara pamakumbo avo, "haa Mhamha asikana zvakwana aah handichada ini. Ndakafamba
ndoendazvee kukitchen koita hangu cold water ndichimirira kuti Mhamha vapedze ma jokes avo. Ndakazoti
ndaguta manje ndopandaka zoendera Mhamha ,ndokuedza kuvasimudza kuti ndivasimudze ndakanzwa Mai vari
kurema zvisingaite, nguva iyoyo musoro wa Mhamha waenda pa divi uchiita seusina simba masiriri achibudawo
nedivi. Ndakatanga kunzwa kuzarirwa ko Why My Mother Why? Akapindura ndakamushaya. Ndainge ndati
kurei zvangu form two dzainge dzokakata pfungwa. Ndakamhanyira kushamwari yamhamha vainzi Mai Nyasha
ndakanovaudza kuti Mhamha ndawana vakarara ndichibva kuchikoro asi havasi kumuka. Takamhanyi dzana na
Mai Munashe toenda kumba kwedu. Tasvikako Mai Muna vakabata bata Mhamha ndobva vatanga kuridza
mhere? Nenguva isipi vanhu vainge vatoungana pamba pedu, ndakanzwa vamwe vachiti fonerai police nokuti
munhu afa zvisina tsarukano. Pandakanzwa kuti kufa hana yangu yakarova, asi handina kumbo chema
kunyangwe zvazvo vazhinji vaichema. Kana uchigona kuridza mhere unenge usati warwadziwa and unenge une
wekuchemera, unogona kunangiwa uroyi kunzi sei asinga chemi asi anoziva ndi Mwari. Police yakasvika
ikapinda mumba mainge mugere Mhamha, ndakadaidzwa "Liosa huya kuno umwe wemapurisa akadaro,
hameno ainge amuudza zita rangu. Ndakasviko mira pamberi pa Mhamha ndichingoti, Why My Mother Why?.
"Eee Liossa tisu takudaidza toda kutorawo statement, mupurisa akadaro. Ndakagutsirira nemusoro, "Mhamha
vairwra here? Hongu vaive nemaronda pahuro last week but apa vainge vapora. Ndakapindura hangu ndisinga
gutsikane kuti ainzi afa ndiani? "Ko pawabva kuchikoro maplates ari pa table ndiwe wamaisa here? Handina
kunge ndamboona ndiro idzodzo officer, ndiri kutodziratidzwa nemi. "Yaa tichambotakura maplates aya, uye
necup iyi iri kutaridza kuti yambonwirwa, ungachienda hako panze asi usawane waunoudza zvataku bvunza.
Akadaro mupurisa uya achitora Mai vangu vovabatirana kuvaisa muchibhokisi chesimbi. Ndakabuda hangu
ndonogara panze, Mai Munashe vakasvika pandiri vondibvunza kuti ko police yakubvunzei? Ndakati vaida
chitupa cha Mhamha ndakanyepa, ndakaona Baba vosvikawo ndopandakatanga kunzwa kuti mhamha vainge
vatofa shuwa. Asi pane chandakaona pavanhu vaive pamba pedu, pane munhu one aisagadzikana zvokuti
ndakanzwa otonyeyewa ne madziro comitee. Ndakaenda kuna Baba ndichiti zvimwe vaivawo neka idea mbijana
asi Baba vangu nekutaura vainge vasisakwanise, ndakademba chandaka berekerwa ndiri one. Mai Munashe
vainge vasisa gadzikike kunyange havo vaive shamwari ya Mhamha but mmmm ndakaita question mark.
Ndakavanzwa vachibvunza Baba vangu zvekuvigwa kwa Mhamha munhu ainge asati ambodii kana mumochari
macho ainge asati arongedzwa, otobvunzwa zvekuvigwa kare, ndakangoona kuti shamwari so ma 1.
End of chapter one. Stay blessed
[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Why My Mother why?
Chapter three Story by precious Chikwengwe
______________________________"Liossa! Liossa! Ndakanzwa kudanwa uku ndiri kuhope,ndakatarisisa
ndikaona ndi Mhamha. Chii Mhamha? Ko muri kuchemei? Ndaitaura mashoko aya mushure, mekuona Mhamha
vangu vachierera misodzi, ndakabva ndatangawo kuchema, ndichiti why My Mother why?. Mhamha vakanditi,
tsunga ushinge moyo Liossa, ndiri kuchema hupenyu hwako mwanangu asi usadzokere shure pakunamata.
Pakarepo Mhamha vakabva vandifuratira voenda, ndakatanga kuvadaidza ndichimhanya, ndichichema
neshungu, asi Mai vangu handina kuvabata. Ndakabva ndangopepuka nguva iyoyo,ndakarwadziwa pandakaziva
kuti ndairota. Ndakatarisa nguva dzainge dzaenda dzakuita 8:00am ,ndakamuka ndichimhanya kunopukuta
pukuta kuti ndiende kuchikoro, apo taidiwa pachikoro na 06:45 ndakaona kuti ndikaita zvekugeza zvingaite
worse. Ndaka Budapest mumba ndomhanyira ku bus stop ndakaita rombo rakanaka kukasika kuwana taxi, taxi
driver akangoti nhaiwe musikana ininguva yekuenda kuchikoro here iyi? Akabva atondisiya mu school yard
chaimo. Ndakafamba ndoenda ku class kwangu ndakasangana na Sir ve maths vachitobuda mu lesson,
vakanditarisa nekushamisika. "Nhaiwe Liossa inguva dzekuuya kuchikoro here idzodzi? Why Mwari vachipa
pfungwa dzekugona chikoro kunhubu dzakaita semi? Apa nhasi mu lesson ndatozviona kuti pane asipo muno,
vakadaro teacher ve Maths vachindisema. Vakafamba voenda, ndichibva ndapinda muclass shamwari yangu
yainzi Melody ndiye akatozouya padhuze neni, ndakushaya pekutangira. Hupenyu hwangu pasina Mhamha
hwainge hwondiremera, ndainge ndangofananawo nezhizha rinongo pepereswa nemhepo. Ndakaona kuti vaya
vanofirwa na Mai vachiri vadiki zvinorwadza hazvo but zviri nani, unenge usina kumboravira Mother 's love,
sezvandainge ndaita.Ndainge ndajaira kuti ndikabva kuchikoro ndinowana, Mhamha vabika, ko aizondibikira
ndiri kuchikoro ndiani? Mufaro chaiwo muhupenyu hwangu mainge musisina.Satan ainge andibirawo mufaro
wangu, asi ndaingoziva hangu kuti ndainge ndasara nemunhu one muhupenyu hwangu. Wandainge
ndakadzidziswa na Mai vangu kuti rudo rwake runogara nekusingaperi. Baba vangu chaivo vainge vasisauye
kumba, vainge vouya zveapo nepapo, ko ndianiko aizondidawo. Chakandi shamisa kubva kufa kwa Mhamha
Mai Munashe vainge vasisauye ku church zvinova zvinhu zvakazondipa kuti regai ndidarike nekumba kwavo,
ndivabvunze kuti ko chiichaivatadzisa? Ndakasvika pamba pavo, after service ndichida kuvabvunza hangu.
Ndakasviko knocker pa door pavo,dzainge dzoita 13:30 ,Mai Munashe vakavhura door ndobva vamira vaka
crosser vakabatirira mativi ose. Makadii henyu Mhamha? Ndati ndidarike ndichikuonai hangu ,ndichikubvunzai
kuti mazuva ano marova kana kuchurch hamuchawanika. Ndakadaro hangu ndatoona kuti painge pasina zveku
pinzwa mumba vainge vamira vaka blocker door, mumba mandaimbo pinda ndichimhanya ndisina ku knocker.
"Ndiripo hangu Lee uri sei mwanangu, watifungawo nhasi, haa kuchurch ndichauya hangu, waita munyama
wasvika ndakubuda, vakadaro Mai Muna. Ndakapindura ndo reverser shoko ravo rekunditi ndaita munyama,
ndakabva ndangovati, ayewa haa munyama handina imi ndimi munawo masvikirwa nemuenzi muri parwendo.
Ndakabva ndango vaoneka nguva iyoyo, ndaisafarira kuita chijairira chema shoko anongotaurwa nevanhu
sekungotaurawo, uye Zvirevo achitaura kuti, rurimi rune simba rekutaura rufu kana hupenyu, anobva ati
vanoruda vachadya zvibereko zvarwo saka proverb 18:21 ainge akandingwadza bcoz unogona ku iswa chituko
nemunhu uchingo sekerera. Ndakabuda mu yaryard mavo ndoenda hangu, but ndakango batikana kuti ndi Mai
Munashe vandoziva here ava vainge vondivharira door. Ndakazo ngozvisimbisa Psalms 55:22 Kandira mutoro
wako pamusoro pa Jehovah, iye uchakusimbisa;Haangatongo tenderi wakarurama kuti azungunuswe.
Ndakangoti asi Mai ava Mwari ngaavabatsire shuwa, ndiri kufamba kudaro ndakabva ndasangana na Munashe
aine twin sister yake Mufaro. Takasangana pedyo nepamba pedu ndakava mhoresa asi ivo havana kudaira
vakatondiseka, asi ndakaziva makey ainge akabatwa na Mufaro kuti aive ekumba kwedu. Ko vainge
vamawanepi? Ko zvaimbofamba seiko? Ndakabva ndazorangarira kuti ka bag kainge kakabatwa ndeka Daddy.
Pfungwa dzangu dzakambo mira kushanda ndainge ndaita mudiki pakubatanidza nyaya iyi, ndakaona nyaya
ichindiremera, kunyangwe zvazvo Mhamha vainge vanditi utsunge moyo, kushinga kunoda une wauno share
naye. Ndakasvika kumba ndakaona zvandainge ndasiya zviri zvachinja mumba maitoratidza kuti matoswerwa,
tsvina yaivemo ini ndainge ndasiya nda cleaner. Mazuva akafamba hupenyu hauna kuchinja, Baba vangu
vaingodaro semazuva ese, chainge chachinja vainge vasisandipe mari, vainge vonditengera grocery nenyama
voisa mufridge ndaingowana zvava mumba pasina kana cent. Ndakatanga kuenda kuchikoro netsoka, ndainge
ndotomukira kuti ndibate time dzechikoro. Mumwe musi ndakasangana ne friend yavo ndichienda kuchikoro
netsoka, ndobva amisa mota yake onditakura, akandibvunza nezva Baba vangu handina kukwanisa kumubvunza
pindura ndakanzwashungu ndobva ndatanga kuchema. Akanondi siya pa gedhe rechikoro ndokundipa 10 dollars
ye transport ndakafara ndikatenda Mwari bcoz paive ne distance. Shamwari yavo yakabva yavafonera ichiti
yaida kuvaona, vakazoonana ndokuudzwa nezvangu pandakabva kuchikoro ndakaona Daddy varipo. Vakanga
vogara pamba neni tiri two hukama hwainge hwadzokera pekare, asi ndakazoshamisika umwe musi ndichiona
Mai Munashe vachiti vainge vauya kuzotsvaira mumba nonokuti ini ndaisagona kunyatso tsvaira, ainge ari
makuseni efriday ndichibuda kuenda kuchikoro ndakashaya zvazvaireva. Chaindishamisa Baba vangu
vaisapikisa zvinotaurwa na Mai Munashe, ndonyaya yaindipedza simba, kuti simba ra Mai ava rekudheerera
Baba vangu riri pakuti ishamwari yemukadzi chete here. ? End of chaptethree. Stay blessed
[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Why My Mother Why Chapter two
Story by precious Chikwengwe
___________________________Jobho airevesa paakataura mushoko akati;munhu akazvarwa nemukadzi ane
mazuva mashoma ekurarama, paizonyanyisa kundirwadza ndepaanozoti, seruva anosvava, semumvuri
zveanotiza. Ndakanzwa misodzi yangu kuyerera ndikati Mai vangu apa vaita semumvuri, munhu amuka
akandipopotera kuti sei ndainge ndisina ku ayina uniform, vakaitora vaka ayina ivo ini ndichigeza ko chaiva
chii? Chainge chasara chikaitika nema hours mashomanana akadaro. Kutorawo here mudiwa wemoyo wangu,
shamwari yehupenyu hwangu, ko ndaizotaurirana naniko, zvamainge mangondi bereka ndiri ndega, Why My
Mother why? Ndakatanga kunzwa shungu dzemoyo dzichindibaya, kufirwa na Mai chakava chiitiko chandisina
kugona kugamuchira mu life yangu, ndakaona kuti mumvuri wangu wainge wabviswa wanike ndangosara
pachena. Apo ndaichema kudaro ndakaona Mai Munashe shamwari ya Mhamha vouya pandaive ndigere apo
ndaiedza kubatanidza kuti tione chainge chauraya Mhamha asi ndakachishaya. Ndakango rova ka short prayer
ndikati, Dhavhidhi anoti tsvimbo yenyu nemudonzvo wenyu zvinondinyaradza. Ndinyaradzeiwo Mwari,
simbisai mweya wangu. Mai Munashe vakasviko ndibata ruoko, kuti ndisimuke pandaive ndigere bcoz painge
pachipisa but ndaisambonzwa zuva. Pandakasimuka ndakanzwa kuti skirt yandainge ndakapfeka yainge yoita
kakudonha, vakanditora voenda neni kuseri kwemba. "Liossa zvawadai watokura chauri kuramba
uchingochema chii ipapa? Chii chashamisira pakufa kwa Mhamha vako, ndivo vega vatanga nekufa here? Saka
unofunga kuti kunyangwe ukatochema sei ndiko kuti vadzoke here? Vakazogurisirwa naBaba vainge
vovadaidza. Ndakasara ndikaona rima ndikati ko sei Mai Munashe vainge vataura mashoko ekushaisa rufu rwa
Mhamha value kudaro, ndiyo here best yenyu iyi Mhamha? Mapisarema aigarondiudza ini kuti usavimbe
nemunhu anoshanduka zviri nani kuvimba na Jehovah nekuti akatendeka. Dzava kuma 4pm mapurisa ainge
ambouya akadzokazve, "pamusoroi mose vadikani muri pano, tinokumbira nzeve dzenyu zvishoma. Ndofunga
vanga vari pano patambouya mationa, tauya takatakura mutumbi wemufi, uye nemidziyo yanga ichitaridza kuti
mufi amboidyira nokuti zvinonzi ndiye asara ari pano. Muongororo yaitwa nana chiremba vedu zvaonekwa kuti
mufi adya poison yaiswa mutea, taongorora ma finger prints taona ari emufi. Tatadza kuziva kuti zvafamba sei?
Nekuti munhu anozviuraya haangatangi aguta ozozviuraya, kureva kuti pane nyoka yapinda mumba. Akadaro
mupurisa uya wandainge ndambotaura naye masikati. Vanhu vakaramba vakango shama muromo
vasinganzwisise zvairehwa nemupurisa. Akazopfuurira mberi oti asi chandoziva ini ndechekuti munhu
haafiririri anotorwisa chete, saka kana uri pano washereketa kudaro ndinoti, hondo ndedza Jehovah ndapedza
nemi. Vanhu vakapururudza mapurisa achibva ayenda, ko ndiyani ainge auraya Mai vangu? Kuti vainge vanwa
poison vega here? Ko madii kundiudza kuti pane zviri kukunetsai Mhamha, ko zvino magonei zvamangondisiya
ndega, ko inga zvimwe maindiudzawo wani, zvakarema moudza Mai Munashe, inga varipo wani. Why My
Mother why? Mandirwadzisa Mai vangu, ndainge zvino ndochemesa, Baba vakauya pandaive ndiri vonditora
vachichemawo, vakandibvunza kuti Mai vako ndaivatadzirei kusvikira pakutora sarudzo yakadaro mwanangu?
Mai Munashe vakationa ndaka mbundirana na daddy tichichema vakasviko tipatsanura zvine hasha mukati,
ndakangoti kurwadziwa kwavo kwakutondi venga neniwo sekuti ndini suspect. Hama dza Mhamha dzakazo
svika the following day pandakaona mainini munin'ina wa Mhamha wavainge vakafanana naye aigara kwa
Mtoko ndakarwadziwa takachema na mainini vachiti Lee mwanangu Mhamha waisepi?Unoigona here nhamo
yekushaya Mai? Mainini vangu vaichema vachindibvunza mibvunzo imwe yandaisagona kupindira asi
yaingondionesa kuti life is a journey. Ndakatanga kunzwa kusimba nekuona hama dza Mhamha uye vana sekuru
hanzvadzi dzavo, aive ma friends angu chaiwo tainyatso nzwanana. Vese vaingondi simbisa, asi ndaingoziva
hangu kuti Jesu voenda vanoti kuramba muineni hakunga kubatsirei chinhu, zviri nani kuti ini ndiende ndigono
kutumirai Mweya munyaradzi uyo achazogara nemi. Saka ndaitoziva kuti Mweya munyaradzi ari pano, iye
akakonzera kuti kunyangwe shamwari nhatu dza Jobho dzishaye shoko renyaradzo kwaari, nekuti dzainge
dzaona kuti izvi hazvichadi isu pane zvakuda ivo Mwari vataure. Zuva rekuvigwa kwa Mhamha rakasvika
mushure mekunge vaitwa postmoterm nyaya yaingove ndiyo ndiyo food poisoning. Ndakashaya kwazvainge
zvabva kunyangwe hangu ndainge ndambo bvunzurudzwa ne mapurisa kuti mhamha vaivengana nani
ndakamushaya, vakanditizve vainge vatukana nani ndakazvishaya, vakandibvunza zve friends avo ndakavaudza
kuti vaingove neimwe chete iyo iri apo. Mai Munashe vakabvunzwa zvavaka bvunzwa but ndaingoona umwe
mupurisa aive anyerere achivacheka neziso, Mapurisa akazosimuka ndokuenda. Ava mangwana acho Mhamha
vavigwa ndopakatanga matare, ko mwana todii naye vakadaro, Tete vangu vakuru vaitevera Daddy. "Haa
mwana don't worry ndotakura, vakadaro mainini vangu. Baba vakabva vasimukawo nemisodzi pamatama voti
Liossa hakuna kwanoenda achagara pano paasiiwa ari na Mai vake, uye moda kundisiya ndega ndaparei nhai
hama dzangu. Vanhu vakazoparara voenda umwe nemumwe kwake sare ini na BBaba vangu tiri vaviri.
Mhamha vainge vakandi dzidzisa kuti shamwari ndedze kuchikoro, muchibatsirana ma book kwete kumba
shamwari ndeyeyi inokukanganisa basa. Saka ndaisava neshamwari, saka ndaiti kana ndakabva kuchikoro
hunherera hwainge hwatanga. 8rr roomed house yadad yainge yandikuririra zvino. Daddy vainge voti vakabva
kubasa vondibvunza kana pane chandaida vonditi vhara mawindow ese nema doors ese ini ndndikuenda
kunorara kwa mukoma wavo, vaibva vati vane nyaya yavaida kunokurukura. Baba vakatanga kusarara mumba.
Vaigaro demba kuti dai Nyaradzo uachingoitwa zvinhu zvigovewe, hameno kuti chii chaivapa kushushikana
kwakadai. Zvese vaindiitira pazvinhu zvese hapana chainge chachinja mulife, kunze kwekushaya Mothers love,
ndagaroti imi Mwari ndimi Mai vangu. Baba vakatanga vachiuya, pakati pahwo husiku, avo vakuuya kwachena
avoo vakuuya after 2dys Nyaradzo yakazoitwa, Baba vangu vaive nemufaro wandakaona ini. Daddy vaida kuti
property yese iyende asi hama dza Mai vangu dzakabva dzati property tosiira mwana, totakura hembe chete.
End of chapter two. Stay blessed
[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Why My Mother Why Chapter four
Story by precious Chikwengwe
____________________________Ndakabva kuchikoro ndichitarisira kuona shanduko mumba ma Mai vangu
sezvo zuva iri mainge matsvairwa na vasahwira vavo. Chakandinetsa ndechekuti ndakatoona kunge tsvina
yainge yato wedzerwa, asi kuwachwa-wachwa haa painge parohwa washen chaiyo. Asi zvakandishamisa dzaive
dza Daddy ne mablankets avo. "Ko zviri kumbofamba sei pano? Ndakaenda ku kitchen ndichida kubika,
ndakawana mabikwa rice and chicken but ndakazviudza kuti handizodya chikafu chandisina kubika ini, nokuti
chakatanga ndochaka chenjedza. Ndakatora cup ndobikira tea imomo, ndakabuda ndonotenga mabuns pachi
tuckshop. Ndichingo pedza kudya ndakaona Mai Munashe vachibuda mu bedroom ra Daddy vachiratidza kuti
vainge vachibva korara, ndakangoti zvepano ini handicha zvinzwisise. Ndakava sweresa zvezino rema
ndikavatenda nekutsvaira mumba chero ndaiona kuti hapana zvainge zvaitwa. Vakabuda vonotora zvavaive
vawacha, vozvirongedza mubedroom ra Daddy, matambiro avaiva voita na daddy handina kumafarira hangu.
Bcoz kunyangwe vaiwirirana na Mhamha handina kubvira ndakaona Mai Munashe vachipinda kana kubuda
mubedroom mavo, ko vainge vafarisirei Mai ava. Vakapinda mukitchen ndokuwana chikafu chavainge vabika
chirimo, Mai Muna havana kuzvifarira, vakangondibvunza kuti ndainge ndadyei ndakavaudza kuti tea nema
buns. Vakazobuda voenda kumba kwavo, asi havana kundioneka ndakazongoona vasisimo, chakandi shamisa
vainge vakiya vakatakura ma keys, asi vaiziva kuti time dza Daddy dzekuuya dzakukwana. Zvisinei Daddy
vakabva vasvika asi ndakashamisika vachiburitsa makey muhomwe vachibva vakinura door. Umwe moyo
wakambonditi bvunza Baba vako kuti chii chiri kutora nzvimbo pano? Umwe ukati wamhanya mira uone.
Ndakabika supper yedu na daddy ndakuti ndakuno saver table ndakaona Daddy vasisimo, zvakango ndishamisa.
Ndaka kungura kuti kudai vakafa vainzwa Mhamha ndaisva ndavafonera, ko ndiwo acho ataiti ma dotcom ainge
otambika mumba Mai Liossa. Ndakadya hangu ndokusuka ndichibva nda cleaner mukitchen ndichiitira
mangwana kuti ndisanetseke pakuenda kuchikoro. Ndakakiya madoors ese ndokuenda kunorara, ndakasuwa
mhamha kuti dai vaivepo tichitoona zvedu TV kana kuita bible study, misodzi yekufunga Mhamha
yakandikurira, ndakangoti, why My Mother why kuzondisiyawo ndega kudai. Ndakapfugama ndozvininipisa in
his presence, nokuti kana shoko richiti ngirozi dzose dzinohwarara,dzichimunamata dzichingoti
mutsvene,mutsvene, mutsvene and 24 elders vanomunamata, ko ini ndimbori ani. Ndakanamata ndichiudza
Mwari kuti ndainge ndoraramira ivo ndivo vega vandainge ndasara navo. Kufara kana kusuwa zvainge zviri
mumaoko avo, the Lamb who is worth to open the book. Isaiah anoti kurwadziwa kwake kwakatiunzira rugare,
makarwadziwa Jesu kuti ini ndigofara, Isaiah 53 pa11 inobva yati ;Uchaona zvaakatamburira nemweya wake,
ndinokudai Jesu nokuti hamusvikirwe munosvika mega. Ndakapedza kunamata ndokurara hangu, dzakazoti
dzava kuma 00:00hrs ndakanzwa sound yemota ichisvika pamba pedu, ndakamuka ndovhura ka corner ke keteni
kuti ndione kuti ndiani? Zvichida Mhamha vainge vamuka, ndaka smiler zvangu, ndichiti pamwe Mhamha
vadzoka. Ndakaona Daddy, vakamira zvavo kuchizobuda Mufaro, Munashe tevere Mai vacho kwakazoti ko
burutswa ma zi bag haaa ndakashaya kuti ko vanhu ava vaimboendepi nema zibag akawanda kudaro.
Pandakanzwa ma door ovhurwa ndopandaka nyepedzera kurara, zvisinei hapawo akauya kuroom kwangu,
semazuva ose ndakamuka ndokugeza ndokubuda hangu ndoenda kuchikoro, asi kwaingove kuendawo, ndakati
better nditange ndaenda neku cemetery ndimboonoona guva raMhamha ndimbo yedza kutaura navo pamwe
vangandinzwewo. Ndakakwira comb yaidarika neku cemetery ndobva ndaburukira ipapo"iwe mwana wepa
Kotwa Government unoburukira pamakuva this hour uri muroyi here iwe? ".Akadaro conductor we combi
yandainge ndaburuka, ndakabva ndarangarira zuva ratainge tauya panzvimbo iyi. Ndakatanga kuchema
ndichitsvaga guva ramhamha, ndakariwana ndikagara pamusoro paro, handina kumborangarira kuti ndaizosviba.
Ndakarangarira hupenyu hwandairarama na Mai vangu, ndikarangarira kusiya kwandaive ndavaita
ndichizovawana vafa, why My Mother why ndakadaro ndaita zvekuzvambarara paguva ravo. Ndakabva
ndatanga kuchema ndichitaura na Mwari, ndikati makataura na Ezekiel mukamuti mapfupa aya angararamezve
here. Mwari dry bones shall live again ndakatanga kuona Mwari vachirwira hupenyu hwangu nguva iyoyo
ndakanzwa kutya ndakaona mhute yakangotangira paguva ra Mhamha. Ndakaona varume vaviri vainge
vakapfeka zvinopenya vaisatarisika hapana chavakataura neni asi ndorangarira vachinditambidza something
handina kuziva kuti chii? Ndakazobva kumakuva kuma, 1000 ndakasvika vanhu vari pabreak apo ndainge
ndacheneruka. Ndakaendeswa kwa Head ndichinzi ndainge ndakarara musango, saka ndanonoka kuchikoro.
Head vakasimudza shamhu kuti vandirove, ndakazoona vaikanda pasi, ndokunditi next time ukazviita
ndokurova, enda kuclass. Ndakadzokera kumba ndakawana zvakaoma mumba mainge machinjwa order hembe
dzangu dzainge dzaburitswa mu spare mangu dzaiswa mune imwe room yaisava nemubhedha. Acho aiva
nemubhedha vainge vagovana pachavo. Ndakasvika ndakabvunza kuti ko ainge abvisa mbatya dzangu mu
bedroom mangu ndiani? "bedroom rako? Ripi iroro vakabva vandiseka vese vari vatatu. Ndakati rega ndimirire
Daddy vazogadzirisa nyaya yacho. Ndakaenda hangu kuroom kwandainge ndapihwa kuya ndichimirira kuuya
kwa Daddy. Daddy vachisvika ndakavaudza nyaya iyi, vasati vandidaira vainge vatorumwa muromo ne kiss,
matwins akabva angondipima nemaziso zvekundi dzikisira. Ndakambo mirira ndichifunga kuti Daddy
vachadzoka kwandiri, asi Daddy havana kubatika, ndakafamba ndoenda kuroom itsva iya, vainge vandipa
zvimagumbeze zvavo zvavakauya nazvo zvainge zvisingaiti kunyangwe kufuga. Ndakatakura tugumbezi tuya
ndoda kunotidzorera varidzi nditore angu, vakabva varamba nawo umwe ndokumhanya kunoudza Mai vacho,
haaa vakauya Mai vacho vakanditi wakajaidzwa na Mai vako vaikuita zvese zvese kuti ufare. Ndakatakura
tumuto twenyemba twuya ndoenda kuroom itsva. Ndasvikako hope dzakaramba kuuya, ndakarara husiku hwese
ndichingo chema, ndakazobatwa nehope kuma 05:00hrsn ndakabva ndangorarisa akandimutsa ndakamuwanepi,
ndakabva ndanonoka zveee ini ndaive nechikwereti kuna Head. Ndakango sviko dzoserwazve ikoko, Head
vakatanga kuona maziso angu kutsvuka uye kuzvimba vakandipa chair kuti nditaure zvese zvainetsa muhupenyu
hwangu. Ndakavaudza vakati vaizogara meeting nema teachers kuti vasaite problem newe, ndakawona Head
votsvaga ma tissuetissue kuti vapukute misodzi yaive yoerera. Vakanditi dzokera kumba unoresta,. Ndakabva
ndatongoenda kumba asi ndakasvika zvakaoma ndaive ndatorerwa hembe dzhembe vandipa dzavo dzainge dziri
ma over size kwandiri. Ndainge ndisisina kana hembe yekuendesa kuchurch. Mukana wekuti nditaure na Baba
ndaiushayiswa saka ndakaronga zano rikuzovaendera kubasa kwavo. End of chapter four
[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Why My Mother Why Chapter Six
Story by precious Chikwengwe
________________________________Ndakada kuita iya yakaitwa na David yekusiya achengetesa Baba na
Mai vake, achiti kusvikira aona zvaangaitirwe na Mwari. Manje yangu yaisava yekuchengetesa Baba vangu asi
yaiva yekutovatiza chaiyo. But ndogona kunogara musaloon mamhamha kaini ndichienda zvangu kuchikoro,
ndakafunga hangu mumoyo mangu kuti ndaifanira kuenda kunoona kuti saloon yaimbofambiswa sei?ndiani
ainge ocollecter mari yeku saloon? Ko makeys ainge ogara nani? Saka mhinduro ndainodziwanira mberi.
Kunyangwe musoro wangu wairwadza nekurohwa na Mai Munashe nevana vavo vachiti ndainge ndaenderei
kubasa kwa Daddy uye ndainge ndataurirei zvavaindiita. Ndakanzwa kudhonzerwa kagumbeze kandainge
ndakafuga, ndakangoziva kuti husiku hwenherera isina Mai varipo hwainge hwapera. Ndakamuka
ndichinyatsonzwa kuti nyama hadzizi kuda zvandiri kudziita izvi dziri kurwadza, Mai Munashe vainge
vakamira vakabata muchiuno chavo nemaoko ese vachinditarisa ndichitambura nekusimuka pandaive ndakarara,
vakandirova negumbo ravo, ndobva ndadzokerazve kunowira pasi ndakabva ndarovera nemuromo, ko ndainge
ndatadzirei Mai vakakura kudai? Ko ndaiva nezera navo here ini? Pane kuti ndicheme ndakatanga kufunga aya
mashoko. Why My Mother Why? mhosva yamakasiya matadzira Mai ava ndeyei? Ko zvino ini ndingagonewo
kuiripa here Mhamha? Ndakabva ndatanga kuchema ndichiedza kuti ndisimuke. "Iwe imbwa iwe ukutoita zvako
zvekutamba ipapo, kurumidza kusimuka izvozvi unowacha, vakadaro Mai Muna nevoice rehondo. Ndakaita ka
short prayer nguva iyoyo, ndikati Paul anoti when am weak am strong, ndisimbisei Ishe wangu, ndakasimudzwa
ne faith ndokudarika nepamberi pavo kuti ndibude, vakabva vandidhonza nechekumashure vakabata huro
yehembe yangu. Vakaimoneredza paruoko rwavo kusvikira yondidzipa, vakabva vandiisa padhuze navo,
vakanditarisa mumaziso chaimo"ndikanzwazve kuti waenda kubasa kwemurume wangu shamwari ndine
hurombo newe, vakabva vandi sundidzira ndichinowira kudoor vakabva vadarika vachindifamba
nechepamusana pangu, ndakanyatsonzwa kuti pane zvaitika pamusana pangu. Ndakashaiwa simba rekumuka
sekuti musana wainge wondiremera, ndakabatirira door zvine simba ndokubva ndamuka, ndakunoti
ndichisimuka Mai Munashe vakabva vauya nemazi washen vondikandira dzimwe dzichindivhara musoro.
Ndakaramba ndakabatirira door zvine simba nekuti ndaiziva kuti ndikangodonha chete handichatomuki.
"Takura hembe idzi unowachira mu sink yepanze handizi kuda kunzwa kunoise mubathroom tiri kuda kurara,
ukasachenesa ziva kuti uchadzokorora kwachena. Vakataura havo Mother ndobva vabuda, ndakasara ndotuta
hembe dzangu dzaive dzakawandisa zvekundikurira zvekuti dai ndaivewo fit maybe ndaimbo yedza, ko zvino
nehurwere ihohu ndodzigona here ini? Pamba pedu paiva ne fence, ndakademba durawall musi uyu, ndakavhura
door ndikatambirwa nerima kunyangwe malights epanze aiva akabaka but ndaitya ndega. Chokuita painge
pasina nyaya yaive yekuwacha chete, kurwara kana kusarwara, kuwanda kana kuita shoma, kutya kana kusatya
wekuudza ndiye ainge akaenda kwandaisaziva. Kunonoka kwangu kupedza basa pamba apa ndiko kwaindiudza
nguva yekuenda kuchikoro, saka ndaitofanira kuita zvekukurumidza kuti ndibate nguva. Ndakatanga kuzvuva
muviri wangu ndichitutira hembe dziye panze, ndakambofunga kutiza ndichidzisiya but ndakazongoti, iyi ndiyo
inonzi hondo ndaizoda kuona mapeto ehondo iyi, uye kuti yaive yeyi?Ndakatanga kuyerera misodzi
ndichiwacha hembe zhinji, kuitiswa basa usingade zvorwadza uye uchiziva kuti hapana kana yako imwe zvayo.
Uchizivazve kuti pane vamwe vanhu vakakodzera kuzviita, ndakapedza kuwacha kuchangoti nguuu kuchena
ndakapedza kuyanika hembe ndokumhanyira kunogeza, asi muviri wangu wainge wopinda chando. Ndakabuda
ndoenda muroom yangu zvandakaona zvakandipedza simba, ndakawana mauniforms angu ari mubucket
rakazara mvura. Ndakabva ndangogara pasi ndakachema zvokudarika musi wafa mhamha, ko ndainge ndatadzei
hangu inga zvavaida ndaingoita wani. Ndakama wacha ndokumayanika ndokubuda ndoenda kusaloon
kwamhamha, nezvandainzwa ndakati better nditore ka 20kangu ndikwire combi chaiyo. Ndakanoti mubag rangu
rechikoro, kuzunza book ne book page by page but handina kuwana chinhu. Ndakabuda but ndainzwa
kurwadziwa uye muviri waipinda chando, ndakafamba nenzira dzekudimurira kuti ndichiti zvindibatsire pa
distance. Ndakanzwa mabvi angu kupera simba kunyangwe zvangu ndainge ndakusvika
ndakakundikana ,ndikabva ndarara padivi penzira muviri wangu wainge wodedera, pakasvika mamwe madzimai
akandibereka vaitoenda zvavo kunohodha, vakafamba neni vachindi chinjana vakanondisiya pa Kotwa hospital
ndakabvunzwa kuti ndainzwa kuita sei? Ndakashaya kutsanangura zvandainzwa, ndakazonzwa umwe akuti
ifever iyi, unogara nani ndakavapindura zvese zvavaindibvunza asi zvimwe ndaivanza ndichitya
kuzorohwa.Daddy vakafonerwa vakauya kabvunzwa kuti kuti vaimboongororawo here mararamiro andaiita
pamba apa. Vakaudzwa kuti vaifanira kuva nenguva neni vachinzwawo divi rehupenyu hwangu, Daddy
vakashamisika nekuzvimba kwandainge ndakaita uye kuti ndainge ndava ne twtwo days ndisingapiwe chikafu,
plus kuti ndinomuka bfore three everyday. Daddy vakatenda manurse tichibva tabuda muchipatara ndakaona
kuti Daddy vainge vofunga hupenyu manje, vakandi kumbira ruregerero nekutora mukadzi akadai, vanoti ivo
vaiti zvairi shamwari ya Mai vako hapangave nedambudziko ndaiona kuwirirana kwavaiita uye munhu
wawainge wakajaira. Zvino manurse zvaati tikanzwazve report yakadai Baba tichasungisa mukadzi wenyu,
ndakangoti nechemumoyo dai maiziva zvese maitovasungisa nhasi chaiye. Daddy vakanditengera sadza
ndikadya vakanditengera mushonga yainge yanyorwa vakandipa, ndakavaudza zvehurongwa hwangu
hwekuenda ku saloon yamhamha kunoona kuti zvaimbofamba Seiko? "Usaendeko mwanangu ndaipa Mai
Munashe kuti vamboishandisa, vakadaro Daddy vachitaura kunge ndumure. "Daddy saka saloon ndiyo yakafira
mhamha, ndakatanga kuchema ndichibvunza Baba mibvunzo, chaizonzi ndochangu chii? Nhasi uno ndiri
muranda mumba ma Mai vangu saloon matora mavapa, hembe dzangu vakatora, vakandipa room yavaida ivo
nhasi uno ndinorara pasi ndichirohwa everyday imi muripo, its better to die. Ndakahwihwidza Baba havana
kuzombodzokera kubasa vakandipazve 20 ndikaenda kumba, ndakasvika pasina vanhu ndikasviko gara panze,
ndakavata pasi pemu mango waivapo ndichimirira kuuya kwevaridzi vemba. Ndakabva ndangobatwa nehope
semunhu ainge achirwara, ndakazopa mutswa nebhutsu yandakakaviwa na Munashe iyo yakabva yango bvarura
muromo wangu uchibva wadzatuka ropa, vese vakabva vangotanga kuseka na Mai vavo. Ndairwadziwa hangu
asi ndakaona kuchinja kweganda revanhu ava, vainge zvino vachiita varungu chaiwo kana dziri weave
dzamhamha dzavaibva nadzo Tanzania dzaitengeserwa maclients vainge vongodzi chinjanisa vachizora mafuta
avanoda aitengeswa zvee mu saloon yamhamha. Ndakaona kuti nhaka yainge yaenda ndiripo, asi Mwari ndivo
vaiziva havo. Mishonga yangu nemari ndaive ndazviviga mupent kuti zvisaonekwa, nokuti zvaizotorwa.
Ndakafamba ndichienda kuroom kwangu kuya ndakanzwa mweya waibuda nemukitchen wakakora kunyangwe
wakaguta nzara inotouya chete, vakabikirana vakapakurirana, Daddy zvezuva iro vaida kuonawo chaitora
nzvimbo, food yaka sheiwa. "Ko plate ya Liossa iripi? Daddy vakabvunza."Mwana wako anonetsa haadi kudya
nesu, atora plate yake akanodyira kuroom yake. "Yamuri kuti room yake ndeipi? Sei makamubvisa muroom
yake muchinomurarisa pasi? Vakadaro Daddy nehasha dzekuwanzirwa nema nurse vasimuka ne plate yavo
vouya kwandainge nndiri vakasviko wana ndakarara nema nhede ndichichema. Daddy vakanditambidza plate
yaive ne fud yavo ndakadyira svoto zvangu. Mainini vakano bikiswa chimwe chikafu zvinova zvinhu
zvakavasvota. Daddy vakabva vangotora plate yamainini vodya ivo. Semazuva ose mainini vakauya
kuzondimutsa, semunhu aiva nehasha neni vakasvikira mukungondirova ndakamutswa nechibhakera
chandakapihwa pambabvu. Nguva iyoyo door rakavhurwa, mainini vakabva vangoti pindai tikarove kakapusa
stereki, kanoda kutitadzisa kugara pano. "Hoo nhai ndiro basa renyu kukutsirana mwana wangu pani. Mainini
vakapihwa chibhakera vachinowira kumadziro. Kubva zvavakauya pamba pedu ndingangoti ndiro zuva randaka
nakidzwawo. Kwakazoti kwaedza ndakazviudzawo kuti nhasi ndoda kumboitawo hu stubborn vanhu ndivo
vanogadzira munhu. Zvinonetsa kuti uite mhuka yemumusha iwe uchigara nedzemusango, ndakazvipira
kuzorohwa hangu semunhu ainge ajaira, ndakabuda kuenda kuchikoro ndisina kubata chero ndiro yemo.
NdNdafamba chinhambwe, ndakaona kuti ndainge ndasiya tie and semunhu ainge akasikawo zuva iri
handaizotenderwa kupinda pa gedhe ndisina tie saka ndakangoona zvakanaka kuti ndidzokere kunotora.
Ndichivhura pa dining ndakanzwa voice raitaura richiti ,Gogo pliz imba yangu murume wangu ndomuda this
time musandipe wekuuraya ndoda kuti murume uyu ave pasi pangu ave munhu anonditeerera zvandoreva. Hana
yangu yakarova ndikati wekuuraya Hoo nhai. End of chapter 6
[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Why My Mother Why Chapter five
Story by precious Chikwengwe
_____________________________Ndinosimudzira meso angu kumakomo rubatsiro rwangu rungabvepiko?
Runobva kuna Mwari akasika denga nenyika. Ndakanamata munamato ungori nemashoko iwaya chete,
ndainzwa misodzi yangu ichiwandisa mumaziso angu. Moyo wangu wairemerwa, newekuudza ndakamushaya,
ndaiti ndikafunga mhamha ndaibva ndawedzera kuchema, shungu dzaindibata zvine simba. Ndakaona pasina
chekuraramira panyika, nokuti zuva kubuda kwaro raibuda nemisodzi yangu, kuvira kwaro rovirazve
nendangariro dzairwadza. Dambudziko rangu rainge randikurira kudarika zera rangu, ndakaona zviri nani kuti
ndinogara hangu kusaloon kwamhamha. Ndakazongoti ngakuchene ndigoendera Daddy kubasa vandipe mari
yebus ndiende kumusha kuna mainini vangu, kana vasingade ndonogara hangu musaloon mamhamha.
Ndakazongo biwawo nehope, semunhu ainge akaseterwa alarm ya3am ndaifanirwa kutomuka kunyangwe
zvazvo ndiri ini ndaipedzisira kurara ndinizve ndaitanga kurara. Hupenyu hwangu hwaioma zuva ne zuva,
ndaiita nguva yekumbotarisa Mai Munashe kuti ndivo here vandoziva ava, or mumwewo munhu ane chimiro
nechiso sezvavo. Ko moyo wakaipa kudai vainge vauwanepi, inga ndaimbosiiwa kumba kwavo wani mhamha
vachienda kunohodha machira ekusona ma keteni avo ,kunyangwe pavaienda ku Tanzania kohodha zvemu
saloon mavo. Ndakazongo biwawo nehope dzekuneta ndokurara hangu. Ndakarota Mhamha vakamira
pamusiwo we saloon yavo vachichema ndakava bvunza kuti why My Mother why? Asi Mhamha havana
kundidavira zvinova zvinhu zvakandirwadza, ndakazopeputswa ne alarm ndokukandira kajira kandainge
ndakafuga kure, asi mavhivhi ekurara pasi ainge ondirwadza, semunhu ainge asina kuzvijaira. Ndakaita basa
rangu chop chop ndaisada kuti Mai vemba vamuke ndisati ndapedza bcoz basa harizoperi. Kana iri yekunonoka
kuchikora, mateachers ainge atozvijaira ndaingotangira pandinenge ndasvikira ipapo, vanhu vemu class medu
ndivo vaizondiseka, vayiitirwa fun netime dzandaisvika. Ko vaigozivei havo vaingoti, zvimwe Liossa akupenga
chete. 06:00 dzichikwana ndainge ndapedza basa rese, semunhu aiwacha daily pasina kana hembe yangu
ndaingoti ndingadii ndozvamakafira here Mhamha. Ndakaita fast ndokupfeka uniform ndobuda ndoenda
kuchikoro semunhu aingoenda ndisina kudya zvaisandinetsa kuti ndinzvenge vanhu ava. Ndakabuda gedhe
ndakanzwa moyo wangu kuzorora, ndakaita semunhu abuda mugomba, ndakafamba nenzira yaienda kubasa
kwa Daddy ndaiziva kuti ivo kunyangwe ndainge ndavasiya kumba vaizonditangira nokuti ini ndaienda netsoka.
Zvekuchikoro zuva iri ndainge ndakato zvikanzura, ndaiona ndakutodzidza hangu kumusha kwa Mhamha.
Ndakasvika pa gedhe ndokukumbira guard ndakanzi ndiende pa receiption, ndakasvikako Daddy ndokufonerwa
ku office kwavo ndokutendera kuti ndipinde, ndakanzwa kuzorora mumoyo mangu, ndakaita semunhu ainge
awana basa asi kuri kungotenderwa na Baba vangu kuti ndivaone, Baba vangu kwandiri vainge vave goridhe
ndainge ndisisakwanise kuonana navo pachena. Ndaka knocker muoffice ya Daddy ndikanzwa izwi richiti,
"come in "ndakapinda Daddy vakanditarisa kuita sevaitanga kundiona zuva iri. "Liossa hindava kuonda kudai
mwanangu? Ungabve watofunga Mai vako zvokusakara kudaro? Baba vakabva vatoita zvekusimuka kuti
vanyatsondiongorora. Ndakanzwa misodzi yangu kuyerera, ndikati Baba vangu chaivo kuzondivhunduka nhasi
setaisagara mumba mumwe chete,Ndakavaudza nyaya yangu yandainge ndafambira kuti ndaiku mbirawo mari
yekuti ndiende kumusha ndinodzidza hangu ikoko kana kunogara hangu ikoko, nekuti zvepamba pavo ndainge
ndazvitadza. Baba vangu vakandi pikira nemaoko avo ese kuti handaizoenda kunogara kumusha kkunyangwe
ivovakafa vvakati handaizomboita hupengu hwandainge ndafunga kuti hunga ndidzikinure padambudziko
rainge rapinda mumba ma Mai vangu. Baba vakataura neni zvakanaka ndakavaudza zviito zvemukadzi wavo
nevana vake,,kutorerwa kwangu hembe dzangu vachindipa dzavo madhende andainge
ndisingakwane,ndakavaudza zvekurara kwangu pasi, uye kuti ndakadzingwa muroom yangu. Daddy vakandi
promiser kuti zzvainge zvisizatozo mboitike futi. Vakandipa 20 vonditi mhanya kuchikoro mwanangu tarira
paanenguva. Ndakabuda ndichifambisa ndomhanyira kuchikoro, at least ndainge ndonzwa zviri nani nekuti
zvaindiremera ndainge ndasiirawo Daddy. Ndakasvika kuchikor time yangu yemazuva ose yekusvika pa break.
Takakumuka ndokunanga hangu kumba ndakasviko tambirwa nemutsinyo, zvikanzi kubva nhasi uchadya
kubasa, ndoda kuona kuti Daddy vako ivavo vaunovhaira navo uchivavinga kubasa vachakubetsera nei?
Ndinonzi magumbo ini hauzive kwazvakabva izvi vana Liosa pakai. Ndakashuririrwa kusvikira vana vavo
vasvika ndichingotukwa chete, ndakazvishora nekukanganwa kubvunza Daddy nezve saloon ya Mhamha kuti
zvaimbo fambiswa seiko. Ndaka famba ndoenda kukuspare yangu yandainge ndapihwa nevaridzi vemba,
ndakaona Mai Munashe nevana vavo vanditevera, ndakatanga kutukwa, umwe aindikwatura mbama, umwe
aindidhonza bvudzi, umwe achindi svipira, ndakabuda madzihwa ekurwadzawa andaikundikana kupukuta
nekushaya mukana. Ndakazovhu. nduka ndaona neck chain ne ring zvaive na MMufaro kufanana nezvandainge
ndavigirwa na Mhamha kubva ku Tanzania ini ndainge ndakazvisiya mucashbox reku saloon kwa Mhamha ko
Mufaro ainge azviwanepi? Kureva kuti vasikana ava ndokwavari kuswera nhai, ndosaka vachinja kunyangwe
ma skin nhai? Ndakanzwa kudumbirwa mumweya wangu uye kuvenga Baba vangu nekugova nhaka yandainge
ndasiirwawo na Mhamha. Ndakaitwa part kusvikira vega vaneta, ndakasara ndamarika marika muhuro
nekumeso, uye kuzvimba zvimba mandai sunywa sunywa. "Ndakuzomuitira zvandanga ndisingade murume uyu
akapusa chaizvo angatonge ini nekuda kwetsvina yaakazvarirwa nechimukadzi chiya"vakadaro Mai Munashe
vachibuda vachitaura nevana vavo, vese vakabva vaseka chikwee. Ndakasara ndichinzwa kutemwa nemusoro,
wandaizoudza ndakamushaya, aizondipawo piritsi ndakamushaya, ndakashingirira nemarwadzo angu ndaiti
kana zvonyanyisa ndosunyirira pamagumbeze, .Chaizvo Maivangu makafirei ndainge ndotangazve kuchema
ndichifunga mazuva angu mhamha varipo. Zuva iri kana kwazvakabikirwa nekudyirwa handina kukuona,
ndakazongonzwa ndozunzwa zunzwa ndichinzi enda unosuka maplates sink yazara, ubve wacleaner mukitchen.
Kunyangwe muviri wairwadza ndakashingirira kusimuka but ndainge ndoona rima uye musoro wairema
nekurwadz, ndakaona sadza raive mumvura yainge yagezwa maoko ndakaritora ndorisuka ndakabva ndatanga
kukokota poto yainge yabikirwa muriwo, ndaingoda kuti ndipone semunhu ainge aswera nenzara. Munashe
akabva andiwanikidza ndichidya sadza riya, akaritora ndokuri kanya kanya apa haa rainge risisaite, aenda
ndakazongonwa mvura ndokunzwa simba richidzokazve mandiri. Ndakapedza zvamdainge ndanzi ndiite asi
ndainge ndofunga kutiza semunhu ainge ane kamari kandainge ndapihwa nadaddy, asi pandakafunga mashoko
ainge ataurwa na Mai Muna ndakazviona zvisingaite kuti ndisiye Daddy vega ndiriinizve ndainge ndakonzeresa.
End of chapter five. . Stay blessed
[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Why My Mother Why?
Chapter Eight Story
by precious Chikwengwe
____________________________Baba vangu vainge vangova murume pakuti vaive nendebvu asi simba rehu
Baba painge pasisina. Mai Munashe ndivo vainge votonga pamba pedu, Baba vangu neni tainge tangofanana.
Vainge vongoitwa yese yese, kuenda kwavo kubasa kwainge kwava kweku sundwa namainini, chavainge
vongoda kugara mumapapiro amai Munashe. "Ko nhai Liossa kuzenge wakapfeka uniform yechikoro asi tave
ne private school here pano? Vakadaro mainini vangu vaka blocker door kuti ndisabuda kuenda kuchikoro,
nguva iyi ndakafunga mhamha ndakanzwa shungu pamoyo nepa mweya ndikayeredza misodzi. "Hezvo nhai
Liossa zvaune malitres chaiwo emusodzi unondichemera asi unondiona ndakafanana na Nellia here initiative?
Nellia ainge akaita kunge zvandakaita izvi? Vakadaro Mai Munashe vachinditenderera kuti ndinyatsoona kuti
musiyano wavo na mhamha wainge uri wei? Manje ndakangoona mhamha vangu vari number one,
ndakatoshaya kuti Baba vangu vainge vachivei pakamukadzi kane moyo sewa Jezebel. Ndakaramba ndakamira
pa door repa room pangu, vakabva vati rega ndikudaidzire murume wangu pamwe ndiye angakuudza
zvaunonzwa. Ndakaona pasina nguva Daddy vauya vakadungamidzana nemukadzi wavo vakananga kwandiri
ndakaona face isina tsitsi pana Daddy "Eee Liossa! Sei usingateereri Mai vako ava ndakatarisa mainini
vaitopfikura kuchema vachiti ndainge ndavatuka, Daddy vakaswedera kwandiri vondirova nguva iyoyo
ndakaona rima ndokuwira pasi. Daddy vakabva vaita zvakundi garira vonyatso ndibika, ndakazoona ndatota
Mai Munashe vakabata bucket remvura. Ndaka kambaira kubva mudziva reropa rangu nemvura yandainge
ndadirwa ndoenda pandaigara ndakawaridza paive netugumbeze twangu. Ndakanzwa kuremerwa nemuviri
wangu, face yangu yainge yasakara, ndakashaya kuti ko ndainge ndicharara mirei panyika, varegerei vangondi
pedzisa havo. Ndaka kandirwa plate yainge ine chikafu, asi handina kumbochitarisa, ndainge ndaguta nemisodzi
nemarwadzo. Ndakademba kuti dai vana tiri isu tinotanga kufa vana Mai vopedzisira kana kufa pamwe chete.
Hupenyu hauna kundipa mukana, ndainge zvino ndisisaende kuchikoro ndainge ndave musikana webasa
wepamba pa Mai vangu. Hapana chinorwadza sekuita muranda pamba penyu, huranda hunongoda kuhuita
watorwa kana kuti waenda somewhere. Ko ndianiko ainge achamira neni, hongu Mwari vaivepo havo, asika
chakaberekwa nenyama, inyama chakaberekwa nemweya mweya, pane dzimwe hondo dzinodawo dzinodawo
nyama inokumiririra. Kuwacha kwainge kondikurira, nekuti nguva zhinji ndaigara ndine maronda ekurohwa
naanenge ada hake, ndairara vanhu vose vakutorota ndomuka vanhu vese vasingazive kuti vachamuka here,
ndainge ndisisina nyaya na daddy vangu. Daddy vaingondi bvunza kuti wabika here? Hembe dzangu
dzakachena here? Varungu vainge vandiwandira mumba umu mushandi ndainge ndaita one. Ma part pamba
pedu ainge asingapere ndaitoziva kuti every weekend ndinenge ndiri biz, ndaibika chikafu chose chaifanira
kudyiwa pa part but vaisada kuti ndionekwe nehama neshamwari dzinenge dzakokwa zvainzi ndinonyadzisa.
Vakomana va Munashe na mufaro vainge vosvika pamba, ko vaitadziswa nei musha usina ano controller.
Ndaitoshaya kuti ko vakomana vaviri ava nekusvika kwavakaita nekuratidzika kunge vanobva kumhuri
dzakasimukira dzine order, vashayawo here vasikana vakarongeka saivo. Ndaisatenderwa hangu kusvika pedyo
navaenzi ava kana vachinge vauya asi ndaingoti one day ndichavaona chete ndigovaudza nezvimwe zvekunyepa
kuti varambwe. Chii chaindifadza imba yemuchato wamai vangu ichiitirwa mahumbwe akadai. "Liossa! Stupid
ungapinde nepakati pavakomana vedu uchizunza mazihembe ako anetsvina iwayo, haaa sorry guys ndi maid
wedu uyu haana kukwana takamuudza kare kuti usapinde mune ma vistors edu, akadaro Munashe achitaura
akabata nzeve yangu achiimonya apo ndainge ndapfugamiswa kuti ndikumbire ana boys ava ruregerero.
Ndakabva ndati am sorry, kune wa Munashe ndokudarozve kune wa Mufaro, vakomana vese hapana akadaira
sorry yangu zvinova zvakapa vasikana hasha, vakabva vangotanga kundirova vese mushure mekuona kutadzira
vakomana ava kwandainge ndaita, kudarika nemu dining mavainge vagere. Ndakazomukaa pa carpet pandainge
ndambozvambarara ndichirohwa ndowana musisina vanhu. "Chii chawaita kuva kwasha vangu tell me Liossa
ndisati ndakurova izvozvi, Mai Munashe vainge vakazvimba nehasha ndakaramba ndinyerere bcoz ndaingoziva
kuti kutsanangura kana kurega zvakango fanana. Ndakaita kashort prayer kuti ndisarohwe nokuti ndainge
ndichangobvazve mukubinhiwa nevana vavo. Why My Mother Why ndinombonzwa zvichinzi vakafa vanoona
ko sei kusandionawo? Nguva zhinji misodzi ndochainge chiri chikafu changu, ndiri mundangariro kudaro
ndakarohwa bhutsu yemudumbu na Mai Munashe, ndokubuda vono ddiscusser chiitiko chainge chichangobva
kkuitik.Vakomana vaviri vakaenda umwe kwake umwe kwavo asi vainge vakahadzika kuti moyo rudzii waiva
nevanhu vepamba pedu, chero akanzi maid inga kwedu arikowo wani inga maid munhuwo wani. Ndingaziva
sei zvakawanda nezva maid uya better ndimutsvagire basa kumwe hapana ane zera nekamusikana kaye,
aingunofunga hake Prosper mukomana wa Munashe End of chapter 8
Stay blessed
[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Why My Mother Why? Chapter Nine
Story by precious Chikwengwe
______________________________ Hupenyu hwangu hwakaramba huchingooma zuva nezuva Baba vangu
vainge vangova vezita asi maduties avo vainge vasisamakwanise. Ndakaona kuti ndingogara hazviite better
ndipote ndichi kumbira manotes kune vamwe ndichinyora mune angu ma bks. Kunyangwe zvangu ndaizonyora
vamwe vese varara ndakaona zviri nani. Ndakanzwa mumwe musi mainini vachitaura nevana vavo kuti Daddy
vamiswa basa nekuda kwemashandiro avainge voita anenge ekudheerera vakuru vebasa, ndakabata muromo
wangu nemashoko aya ndaito cleaner zvangu mudining mavainge vagere vachidya kuti vaende ku saloon.
Ndakabatikana nekudzingwa basa kwa Daddy zvekuti ndakangoerekana ndadaira kuti maihwee ndainge
ndakanganwa kuti ndaisatenderwa kudaira nyaya dzepamba apa nokuti ndaisava class yekutaura pavanotaura.
Munashe akabva afamba achiuya kwandiri ndakatoona kuti pangu painge papera, ndakabva ndapfugama
ndichikumbira ruregerero ndichidaidzira zvine simba, pandakaona Daddy vachipinda ndakatoti zvangu zvaita,
asi ndakashamisika kuona Daddy vachitopihwa hug vachigadzikwa pasofa. Munashe akabva atanga kutondirova
achitondi gogodza musoro ndakashamisika kuti sei Daddy vasina kutombocheuka kunyangwe ndairidza mhere
ndichichema akandidamburira top yangu yandainge ndangosarawo nayo yandaikwana. Ndakasimuka
ndichichema ndakabata chikorobho ndakafamba ndichienda ku room kwangu, ndakabva ndasangana na prosper
mupassage apo ainge apinda nedoor rekukitchen kuti azotora Munashe kuti vaende kubasa." Hi Liossa
ukuchemei this hour 07:00 ko kuzoti pakuno dokera unenge wachema kangani? Hey Lord have mercy
mhani"akadaro Prosper achindikwiza chibhora chainge chaita pahuma pangu, ndakafamba ndoenda kuroom
kwangu ndakaona prosper achinditevera akandimbundira mumaoko ake ndakanzwa hana yake ichiti dhi dhi dhi
akandiudza kuti ndichadzoka, akabva andipa 10 achinditi viga ugowana kubatsirika. "Sei vanhu vachi treater ma
maids seizvi nhai? Akadaro Prosper akatarisa mudenga kuita seane munhu waaitaura naye, akabva angobuda
achienda kudining ndakabva ndafunga kuti ndainge ndasiya bucket randaishandisa kukorobha. Ndakabva ndati
rega ndinoritora ndino cleaner mutoilet. Ndichingopinda chete mudining ndakati ndinosimudza bucket Munashe
akabva asimuka achinditi ndakakutii nekupinda mumba mune vaenzi ne mamvemve ako iwayo,
akandisindudzira zvine simba ndichibva ndadonha mvura yaiva mubucket akabva andidira ndokunditema ne
bucket racho. Ndakashamisika kuona Daddy vangu vachioma mbabvu nekuseka vakabva vabatsirwa na mainini.
"Hey guys lets go "ndakanzwa Prosper achidaro atosimuka nechekare akafamba achinobuda nekwaainge abva
nako akadarika ndichikorobhha mvura yandainge ndadirwa inetsvina iye akangoti "sorry Liossa achidarika
hake, vana sisi vainge vasara vachimbopa Daddy na mama a gudbyee hug.Ndaka dongorera nepa window
semunhu aifarira husavepo hwevanhu ava. Ndakaona vachipinda mumota yainge iri yeblack yainge yakanyorwa
kunzi Toyota hilux ndakaenderera mberi nebasa rangu ndakanzi na mainini ukapedza zvauri kuita ubikire Baba
vako unofunga kuti vanobikirwa nani. Ndakaramba hangu ndinyerere ndichirwadziwa moyo semunhu
ndaisatenderwa kutaura kana vachitaura ndaigodii asi ndaive nemibvunzo yakawanda yandaida kuvabvunza asi
nguva yacho ndaigoipihwa nani. Kunyangwe zvavo Mwari vachiti ndinoziva ndangariro dzandinadzo pamusoro
pako, ndangariro dzezvakanaka kuti ndikupe mugumo une tariro, ini hangu mugumo une tariro ndakatanga
kusauona bcoz, kuchikoro ndainge ndisisaende, Baba vangu vainge vandirasa Mai Munashe kuramba
vachindisiya ndiri pamba apa yaungova nyaya yekuti ndaiva house girl wavo other wise pekugara chaipo ndaive
ndisisina, ndakambofunga zano rekuti ndiise tsamba pa bus iyende kumusha kwamhamha ndichivaudza
magariro andaiita. Ndakaona mainini vachena chena vachiti kuna Daddy handei kubasa kwenyu muno signer
kuri kudiwa signature yenyu kuti mari dzenyu dzibude hauzive here kuti tichaita mari yekuti tinogona kutenga
kotwa ino nevanhu vayo zvikaita zvedu. Ndakaseka hangu chemumoyo ndikati nehutsinye hwenyu ihwohwo
vanhu vacho vamunenge matenga vanototi vararame sevari mu Egypt. "Eee Munashe can I ask you something
"ndi Prosper uyo aingunotaura na Munashe apo vaienda kubasa kwavo,. "Yes go ahead sweetie, "Ko musikana
anogara kumba kwenyu anonzani? Ambori chii pamba penyu? Why muchimuutira hutsinye always, asi haana
hama here? Akadaro Prosper amisa mota pa side peroad. "musikana uye anopenga kana asina kumwa mapiritsi
ekupenga ndozvaanoita, hausi hutsinye ukasatomudaro haanzwisise zvako Pro. Pamba pedu ndi maid uya
zvehama dzake hatizive zvedu but ndongoziva kuti Mai vake vakafa chete. "Why are you asking? "hapana
zvangu kungoda kungoziva hangu about your family members se future wife yangu, akabva akisa Munashe
pahuma uyo ainge oda kuita kakurizina.. Daddy vakabva vangobuda ne wife yavo sare ndega zvangu mhepo
ichirovawo zvenguva diki iyoyi yandainge ndapihwa na Mwari, ndakatora mabook angu ndonyora ma notes
andaipihwa nevamwe vandaikumbira ndaizoverenga manheru zvangu varungu vavata. Manheru vakadzoka
vanhu vepamba pedu ndipo paibva patangirawo kumira kweropa rangu kufamba mumuviri wangu, vese
ndakavasweresa hapana kana one including my father ndakanzwa shungu pamweya wangu my real father
ndichiri munhu here pano panyika. Ndakabva ndaona umwe mukomana ainge achiita kunge ari kuma 22 yrs,
ainge akafanana na Mai Munashe ndaingonzwa achinzi uncle nekamhuri kese kunze kwa Baba vangu ndainzwa
vachiti tsano zvakatondi shamisa kuti Daddy vaitogona havo kutaura. Ndakanzwa ndonzi bvisa tuma gumbeze
twako muroom iyo yaunorara netu dhende twako utsvage kuti ungaziisepi nhasi ukurara mukitchen kusvikira
Brother yangu yaenda next month. Ndakagutsirira musoro ndoenda kunotora tunhu twangu kuti ndiise
mukitchen hembe dzangu ndakanzi isa mubathing room ndomaunenge uchichinjira imomo, ndakasiya kusuka
ma plates andaisuka ndoita zvandainge ndaudzwa. Takurara uncle vaka gadzirirwa mandairara ini ndokuwaridza
mukitchen, ndakatora ma book angu ndoverenga ndakanzwa zvonzi uri kutoverenga zvako unofunga kuti
uchaenda kuchikoro kupi? Vakatora book randaiverenga vovhurira mvura musink ndakanzwa moyo wangu
kurwadziwa ndakati mhamha muripiko nenhamo yese iyi makandi siirei? Ndakatanga kuchema ndichivabvunza
kuti why My Mother why? End of chapter 9. Stay blessed
[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Why My Mother Why? Chapter
Seven Story by precious Chikwengwe
_______________________________Haaaa ndakadaro ndichishamisika nezvandainge ndanzwa Mai Munashe
vachitaura pafone, ndaka nyahwaira nenhenda shure ndonobuda nekwandainge ndabva nako. Ndakabva
ndatongo kanzura zvekuenda kuchikoro ndoenda hangu kubasa kwa Daddy. Ndakapinda nepa karoad kaigurira,
kandainge ndamboshandisa zuva randainge ndambonhongwa nemadzimai emusika. Ndakafamba ndichimhanya
road yese zvandainge ndakatakura zvaida kukasira kutambidzwa muridzi wazvo. Ndakasvika pagedhe repa
Delta nenguva dikidiki nekuti painge pakatoipa. Security yainge yakutondiziva kuti musikana uye mwana
wechikoro ukamuona auya azvina kumira mushe. Havana kuda kumbondi delayer, vakabva vangonditi pinda
uende unoona musikana wepa reception akubatsire. "Yaaa Liossa again, chii nhai Liossa ndinoziva kuti ungadai
uri kuchikoro by this time but iwe uri pano, and face yako iri kutaridza kuti wakaremerwa. Akadaro Norma
musikana wepa reception achindinzwira tsitsi. "Aaa ndoda kuonawo Daddy vangu "ndakadaro ndichinyepera
kusekerera. "Daddy vako nhasi havana kutombouya pano vane meeting kwa Mutoko saka
ndokwavaenda"akadaro Norma achifunga kuti ainge apedza kutaura. Ndokumbirawo ka fone yenyu sisi
ndifonere Daddy vangu ndakadaro ndapererwa uye misodzi yazara mumaziso. "Ok ndipe number dzavo tione,
akadaro Norma, ndakamupa number dza Daddy semunhu aidziziva hazvina kundinetsa. Norma aka fona asi
fone yaitaura zvainoda, kamusikana kaitovaira zvako, kachitonditi pliz try later. Norma akandiudza kuti fone
yaisaita, une emergency here Liossa? Akabvunza Norma, hongu pliz ramba uchitryer sisi kana ndakubva
kuchikoro ndichadarika ndichiona kuti vanenge vadzoka here? Ndakabuda muyard ye Delta ndichienda
kwandaisaziva. Kuti ndiende kuchikoro ndainosekwa nevamwe muclass bcoz ndaiva ndanyanya kunonokesa.
Kuti ndigara pama shops ndaizoonekwa nevekumba kwedu ikaita imwe, ko ndoendepi? Ndakazvibvunza
ndapererwa kushaya kwekuenda shuwa here Mai vakasiya 8 roomed house. Ndakazongoona kuti better ndiende
zvangu ku cemetery ndinoona mhamha. Ndakatora ka 20 kangu ndoenda kunokwira macombi, ndakabva
ndangoita luck neka taxi kaitoenda divi iroro ndakabva ndangopinda makari toenda zvedu, ndakaudza mutyairi
kuti undisiyewo pa cemetery apo. Muchairi akashamisika akandibvunza kuti hausi kuenda kuchikoro here ?
akabvunza achishamisika muchairi, handisi ndakamupindura ndichitopihwa change yangu ndichitotanga
kufamba. Muchairi haana kugutsikana neni akangoti ndivo vana vane misikanzwa vanoita basa retukomana
kuno kumakuva. Ndakasvika paguva ra mhamha ndikavamhoresa, ndakaita a short prayer ndichakamira kudaro,
ndakati imi Mwari munoti vakafa hachina zivo kana njere, munoti havana kana zano asi kuti vazorora pakubata
kwavo panyika, munoti havachakwanisi kuti vadzoke panyika asi kuti isu ndisu tichaenda kwavari, munodaro
henyu lshe asi ndinoti ndinoziva kuti mhamha vangu body yavo yakatoora asi spirit yavo iri pano sekuti haina
nzvimbo nokuti yakambunyikidzwa haingazorore. Asi ndinoti mhamha help me to fight this battle. Makandisiira
chidzidzo mhamha shamwari handiide for the rest of my life. Shamwari yenyu mhamha yakakuurayai nhasi uno
inogara mumba menyu nemurume wenyu, anondiita zvaanoda panguva yaanoda. Jehovah makaudza
Jehoshaphat mukati kurwa ndekwenyu, hondo ndedza Jehovah asi iyi ndibatsirei imboitawo yangu. Ndaiziva
hangu kuti ndaizombo vapedzerawo chete vanhu ava, Jezebel nevana vake. Ndaiti ndikarangarira Mai Munashe
nevana vavo ndaiona iri mhuri ya Ahab yaakasiira Jezebel, ko godo ravo neni raiva rei? Zvose zvaifanira kuva
zvangu zvainge zvava zvavo, kungondisiyawo ne peace zvaivarwadza, Why My Mother Why, mainge masiya
mapareiko kushamwari yenyu yainyeperra kuda Mwari iyi. Nhasi uno handichaenda kuchurch hembe dzangu
vakatora ndodii navo nhai mhamha. Ndakaswera paguva ra Mhamha kusvikira time inokumuka vamwe kubva
kuchikoro. Ndakafamba ndoenda kunokwirazve lift kuti ndidzokerezve neku basa kwa Daddy ndinoona kana
vadzoka. Ndakasvika kubasa, ndokunanga pana Norma, achindiona akasimuka kuzondi mbundira akandiudza
kuti ainge aswerera kutryer fone ya Daddy asi yaisaita, maybe nokuti vanga vari mumeeting. Ndicharamba
ndichitryer chete, akadaro Norma. But Liossa unenzara kaiwe, ndakazunguza musoro nokutinokuti ndaisada kuti
azive shumba dzaindidzingirira muhupenyu hwangu, ndainge ndakatakura matambudziko makuru kwandiri.
Ndakafambisa ndonanga kumba hangu ndakasvikirana pagedhe na mainini vangu. Ndakavati mamaswera seiAsi
vakaramba vanyerere zvavo, ndakafamba ndoenda kuroom kwandainge ndapihwa nevana vavo. Ndakasviko
tora kagumbeze kavainge vakandipa pavakatora angu ndikawaridza one side pasi one ndakafuga zvangu.
Ndakamuka ndichi famba famba, apo ndainyatsonzwa kuti ku kikitchen kwaiva kwakapenga. Kunyangwe
zvangu ndaisabvumirwa kugar a kkana Ku pinda mudining apa ndakamupindira chinangwa, Ndaiva
nechinangwa, ndakashamisika Daddy vachitogeza maoko vapedza kudya chikafu chamanheru. Ndakasweresa
Daddy vakandidaira vachingosekerera, ndakashaya kuti ndovatora sei ndivaudzewo zvaiva mumoyo mangu
zvainge zvonditambudza. Mainini vakabva vatotora makumbo avo ese voisa pamusoro pea Daddy, vakatora
ruoko rwavo voisa muhuro yadaddy nechekuseri kwayo. Ndakaona kuti painge pasina deal ndakabuda nenzara
yangu ndonorara. Ndakanamata ndokurra. Hope dzangu dzainge dzatojaira kumuka na 3,plus ndaifunga kuti
ndichasangana na daddy ndikavadhonzera mutoilet kuti ndimuudzewo zvandaiva nazvo. Ndaka cleaner imba
yese pakasara pane munyama kunyanya mu passage munofambira Daddy ndakamushainisa ndichifunga kuti
ndingangovaonewo, asi havana kuwanika. Ndakanogeza kuti ndiende kuchikoro, ndichingopedza kupfeka
Munashe akabva angangorivhura door, indiudza kuti ndiende kuroom kwavo. Ndakasvikako ndokutanga kuti
pane mhete kuvapfekedza, kuvakama musoro yavo yandaisa kwanisa, vakatanga kundiita zve rough rough bcoz
zvavaindiitisa ndaisazvigona. Ndakatanga kuona kuchinja kwevana sikana vevanhu vainge vaita njuzu zvino
nemari ya mhamha vangu. Haiwaka Mari inotaura yega haitaurirwe kuti ndinayo, ndozvainge zvava pa two glz
idzi. Vakandishungurudza muroom mavo imomo kusvikira vakuita wekuti Munashe ondijungira kuna Mufaro
vachindiita bhora, uku kuti ndingobuda ndaityazve apo time dzekuchikoro dzaifambawo. Pava paya
ndopakazonzi na Munashe waridza mubhedha uyende stupid. Ndakaita chop chop kuwaridza kunyangwe
ndaidzokoredzeswa asi ndakashinga misodzi ichingobuda kudaro. Pandaka reliswa ndakabuda ndichimhanya
kuti ndiende kuchikoro, ndakadhuma mainini na daddy vachinanaidzana kuperekedza Daddy kubasa, ndakati,
"morning daddy? Ndakaona Daddy vachingo smiler havana kudaira, ndakavabata ruoko ndova zunza zunza
Daddy vakatovhunduka zvavo ndobvavadaira semurwere wepfungwa. Ndakavabvunza kuti vairwara here?
Daddy havana kudaira asi ndakato dhonzwa nzeve zvine simba Daddy vachitosekerera havo. Ndakavatarisa apo
mainini pavaindivhairira navo, ndakavati Daddy ndozvamakada kaizvi injoy yourself, ndakairidzwa mbama
svinu na Mai Munashe zvekuti ndakatosimbiswa nemadziro. Ndakacheuka ndoti Daddy finish, ndobuda
ndichienndichienda hangu kuchikoro asi ndaizodkudzoka nekubasa kwa Daddy. End of chapter
Seven. Stay blessed
[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Why My Mother Why?
Chapter 10 Story by precious Chikwengwe
_________________________________ "Liossa ndanzwa kuti nezuro wakaimba zvakachemedza vanhu ku
praise and worship, wainge wambonyanyo imbeiko nemadhende aunopfeka iwayo? Asi waifunga kuti kunyange
ukaita zvekunzvenga uchienda kuchurch ikoko Mai vangamuke kumakuva kekekedeee seka zvako Rose owe.
"Vakadaro Mai Munashe vachindisvotesa. "Ndakavatarisa neziso raiti siyanai neni mai imi, hanti ihembe
dzevana venyu. Ndakapfuurira mberi nekubika miriwo yainge yakangowanda wanda ndakapedza kubika
ndokutanga kusaziva kuti ndodii? Ndaisatenderwa kupinda mu dining kana mune vaenzi, ndaisatenderwa
kupakura poto. Ndakanyahwaira ndichida kuziva kuti vaenzi ava vaiva vanani uye Baba vangu vandaisanzwa
kana voice ravo vainge varipi. Ndakatanga kunzwa voice ra Prosper moyo wangu wakabva wafara ndaizivawo
kuti pavanhu 15 million vari munyika pane munhu one anonzi Prosper anondirangarirawo. Ndakaona kuti
chikafu chainge chopora pasina auya ndikati zvino ndodii? Better ndingopinda nditaure kuti zvaibva kare.
Ndakangoita two steps ndakaona mainini vosimuka kuzondigamha ndisati ndaenda kure, ndakasanganidzana
maziso na Prosper ndichibva ndangotena kudzokera kwandainge ndabva. "Ende mwana iwe haunzwi shuwa
ndakakutii nekumirizika mune vakwasha vangu nemadhende ako iwaya"vakadaro mainini vangu
vachingondimonya nzeve yangu. "Iiii mhamha zvakwana kani moti haanzwe kurwadziwa here Liossa
wamunodaiso everytime patinouya pano motoona kuti mamurwadzisa chete, tichapota tisisasvike pano kana tiri
isu tinoita kuti mwana uyu achingorohwa. "Akadaro Prosper akarova serious akasunga face yake, mainini
vakabva vapfugama vachikumbira ruregerero kuna Pro, vachiiti hazvaizoitika zve varipo. Prosper akabva ati
kunyangwe tisipo musiyeiwo pliz, ndatoziva kuti muchamurova ndosaka ndatevera mhamha, sorry zvenyu,
Prosper akabva abuda odzokera kwaainge asiya vamwe. Mainini vakapakura chikafu chavo ini ndokupiwa
cabbage risina mafuta ndainge ndaribika rakadaro sekurairwa kwandainge ndaita, rainge rakaita jena kufanana
ne sadza. Ndakatora plate yangu ndoenda kuroom kwangu kuti ndinodyira ikoko, ndakasangana na Uncle
mupassage vakabva vanditi"aaah Liossa muzaya watobika here mpfanha, ko zvaunenge wabika sadza ne sadza
wani haa hauite shaa "vakadaro Uncle vachito joker zvavo vakabva vapfuurira nerwendo rwavo. Pavakapinda
muroom maiva nevanhu vakabva vangotambidzwa plate yavo, vachiivhura kudai vanovhunduka nemawandiro
enyama yaivemo. Vanosimuka vachibva vangobuda chchinyararire ndakanzwa vonditi Liossa ndokumbirawo
plate yako ndakangova tambidza chinyararire, vachibva vabuda havo. "Ndihwo hupenyu hunoraramiwa pano
here uhu? Ko muriwo uri kudyiwa na Liossa wabikirwepi? Kana iri iyo life yepano mangwana ndomuka
ndakananga kumusha, vanhu mungauye pano kuzoita mwana wemuridzi muranda pamba pavo, saka wainyepera
kuita hushamwari namai Liosa waive wakavahwandira, Mai vangu havana kubereka mwana akaita sewe ndoda
kunovaudza. "Vakadaro Uncle vakaisa plate yangu pa table paiwonekwa nemunhu wese vaenzi vavo vakabva
vangosiya chikafu nekuona zvinhu zvakadai, uye vaida kunyatso nzvera mashoko ainge ataurwa na Uncle
sevanhu vainge vasina muturikiri. Ndakaona ndavigirwa plate izere nyama ndakangoti inyama yemunhu one
here iyi, ndakatomboti mhoro nyama bcoz ndainge ndavanenguva ndisati ndamboidya. "Haa nhasi kamwana
katinyadzisisa aka, vakadaro mainini vangu, vachitaura nevana vavo. "Zvimwe munozonyanyawo veduwe
nepane vanhu pese, akadaro Mufaro achizviburitsa mugrup. Pandakaona kuti Uncle vakuda kurara sezvo variivo
vainge voishandisa ndakabva ndabuda ndoenda kuno waridza mukitchen, Uncle vakandibvunza kuti wadii
kurara mu dining makaita muhombe pane kurara pakamukoto kemu kitchen, ndakangovati ndimo mandakanzi
ndirare. Ndakapfuurira mberi nekuverenga mabks angu ndichiziva kuti one day Mwari vanondirangarira.
Mainini vakamuka kuma 00:00n ndokuwana ndichiverenga hangu vakanditi" uku ndiko kunonzi kushaya hope
manje muka ipapo unditevere ndakavatevera vakanondipazve mazi washen kuti ndiwache apo kwainaya,
ndakashingirira kusvikira ndapedza, vakaramba vachingonditutira hembe kusvikira 04:00 handina kuzomborara.
Uncle ndivo vaita nga kumuka pavanhu ava, vakabva vandibvunza kuti ndainge ndawacha nguvai washen
yakawanda kudai, ndakavapindura nemisodzi ndakaona kuti vabatikana, ndichisuka kudaro ndakanzwa"Hesi
sekuru wamukasei mwana wa Mai vangu asi aitaurwa naye haana kudavira, ndakanzwa Uncle voti "imba ino
ine marooms mangani nhaiwe Rose? Zvadii? Vakapindura mainini, sei mwana uyu achirara mukitchen muimba
yakakura kudai? Imba yakasiiwa namai vake vako vana uchava siirei? Uri kuvadzidzisei nezvauri kuita izvi?
Handaiziva kuti waida Mai vemwana uyu kuti uzovuzovatorera muruwobata mwana wake rough so. "vakadaro
Uncle vakasunga chiso. Ndakaona mainini vachivhurira mbama kuna Uncle, vakabva vadenha mago, Mai
yakarohwa senyoka yapinda mumba vana vakauya kuzoridza mhere Mai vachizvindwa, ndakaona vorova
sekuru nemigoti ndakangoti hokoyo hondo yemarudzi. Pakarohwa vanhu zvekuti ndakati, mazvita henyu Jesu
ndaona kuti kurwa ndekwenyu shuwa, apa matsivira vavengi vangu ndakatarisa. Chainge chonyanya kundinetsa
ndainge ndava nemazuva ndisingaone Baba vangu, ko vainge vaendepi? Wekubvunza ndakamushaya. Prosper
akataimira vanhu vese vabuda ndobva auya achiti ndisati ndataura naye zvakawanda, nditsvage pane ma paper
emba tiende ku kanzuru tese. Ndakamuudza kuti ndakamuudza kuti ndainge ndava nemazuva ndisingaone
Daddy vangu, akandiudza kuti ndaizovawana asi nyaya yaivepo kuenda ku kanzuru kunoita kuti ma papers
emba aiswe mufile, vanoziva kuti anenge ari mufile imba yacho inenge ine nyaya. Takaenda nemadhende angu
zvainge zvakaoma bcoz smart yainge yakarohwa na Prosper waisvoda. Iye ndiye aiziva kwaienda saka
akambondisiya ndakagara ndobva azonditora toenda kwacho. Prosper akatsanangura zvese aiziva zvimwe
zvandaisaziva uye hurongwa hwekuda kutengesa imba votenga yavo, Prosper ndakanzwa oudza mukadzi aive
mu office iyi. Mukadzi uya akatenda Pro nemoyo wake ndobva tabuda. Akamhanyisa mota oitira nguva,
ndakamuudza kuti undisiire kure nekumba ndofamba hangu pane kuti ndionekwe ndinewe. Ndakavhura door
ndobuda Prosper akabva angondibata ruoko, achibva ati "I love you Liossa, nomatter what. Uri mudiki
ndozviziva asi ndichakumirira, naiwawo mashoko akabva andisiya. Ndakaburuka ndofamba zvangu ndichigaya
kuti ndaizoita sei neshoko rerudo iri. Ndaifanira kuda Prosper kuti nditange ku revenger, ndaida kurwadzisa
kamhuri aka, handaitadzawo love yandaingoonawo pese pese mu TV irimo muroad irimo. Nyaya huru yainge
yasarira pakutsvaga kuti ndione Baba vangu, bcoz vaifanirwa kunochinja zita voisa rangu home owner ship.
Prosper ainge ati achauya ovatora kuti vano signer. Ndakatsvaga makey epa bedroom pamhamha espare
ndichida kuona kuti maive nemunhu here umu bcoz mazuva ainge awanda. Ndakamawana ndikafambisa
ndonovhura door zvandakaonamo zvakandirovesa hana ,,,
End of chapter 10. Stay blessed
[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Why My Mother Why ? Chapter 11
Story by precious Chikwengwe
____________________________________ Ndakadududza shure mushure mekuona Baba vangu vakati rapata,
vakavhura meso vasingaboiri. Ndakanyahwaira ndakananga pamubhedha ndakaisa nzeve yangu pachest ya
daddy, semunhu ainge ajaira zvekufirwa izvi ndainge ndava nehushingi, ndakanzwira heart beat yavo kure kure.
Munhu aikwanisa kundibatsirawo ndianiko? Daddy manje handikugonei ndingadai ndakutakurai, ko makaita
sei? Moda kundisiira ani? Ndakachema ndichidembera Daddy, kuti ndaizodii nehupenyu. Ndakachema
ndisingambofunge kuti ndiri munzvimbo isingatenderwi. Ndakabvisa musoro wangu pachest ya daddy vangu
ndobuda panze. Handina kukiya door repa bedroom ndakanzwa kurwadziwa kuti ndikiyire Daddy vangu
mumba, ndakafamba ndikanomira kugedhe. Ndakatadza kuziva kuti ndochema here? Ndogara pasi here? Ndoita
zvekudiniko? Why My Mother Why? Hupenyu hwangu hunomborevei? Huchazovei? Kana mhinduro
ndakaishaya, ndainge ndongo ringa ringa mativi ose ndichitsvaga angandibatsira asi ndakamushaya.
Ndakademba Uncle vainge vadzokera kumusha zuva iri, varwadziwa nemagariro ataiita. Pasina nguva ndakaona
mota ya Prosper yauya kuzosiya Munashe, ndakavavhurira gedhe vakapinda. Prosper semunhu aiva nechekuita
neni akanditarisa asi haana kundimhoresa, akaona misodzi yainge yaomerera uye kuzvimba kwemaziso,
akazviona kuti nhamo dza Liossa dzaive zhinji. Akafambisa mota achipinda muyard akanosiya Munashe
nechekuseri kudoor raipinda nemu kitchen, ndakaramba ndakamira zvangu pagate nokuti pfungwa dzangu
dzaiva kure Baba vavangu vainge vofemera kure kure. "Hie Liossa? "akadaro Prosper achivhura door remota
kuti ndipinde, ndakabva ndangojambira ndogara pa seat yainge yabviwa na Munashe. Ndakangogara
ndokuzembera seat ndotura mafemo, ndakanzwa misodzi yeshungu yoyerera. Prosper haana kuda kutaura
chinhu, aingo driver achingochinja magiya, kana kwaiyendwa handina kukuziva ndakaona topinda nenzira
yaipinda nepakasango mota ndokumiswa pasi pemuti. Prosper akadzima mota ndokuswedera pedyo neni ondiisa
mumaoko ake, ndakanzwa kuzorora ndiri pa chest yaProsper. Takaita nguva takanyarara ndaingonzwa kurova
kwehana yake, akazoti pava paye "Liossa am here for you, chii chiri kunetsa tarisa maziso ako azvimba misodzi
yaomerera ukuchemei? "akadaro Prosper achindipukuta misodzi neruoko rwake rwainge rwakapfava
zvainyadzisa. "Prosper daddy vangu vakufa vari mubedroom izvozvi, ndakakuudza paye kuti Daddy handizi
kumbovaona ndava nemazuva akawanda. Ndakaudza Prosper uyo ainge akangondimbundira mumaoko ake
ndakanzwa pandaive ndakamutsamira patota, asi iye haana kundisiya. Ndakanzwa Prosper otura mafemo
akatanga kupopota achitaura zvakaipa pamusoro pe ka family kana Munashe, akatanga kuda kuziva zvakadzika
dzika nezvavo .Akati haasati amboona varoyi verudzi rwakadai, varoyi vemasikati chaivo vamwe vachimirira
kuti kusvibe. "Relax Liossa Daddy havafi nhasi vanorara vatova mu hospital, don't worry Mai Munashe
kwavaenda havadzoki nhasi, saka ndichauya ndovaba husiku usakiye madoors, hanti vanhu vekumba kwenyu
varungu ndiwe unovaitira zvese yaa saka ndozvandichaita. Ndainzwa kudziya ndiri muma hands aPro.
Akandiudza kuti aida kuzonovharisa imwe mari ya daddy yaainge audzwa na Munashe kuti vaive nema plans
nayo. Akaudzwa zve kuti Daddy vainge vanyoresa Mai Munashe nevana vavo kubasa uye mabenefits akawanda
ainge apihwa vanhu ava, akati Daddy vanofanira kufa vachinja zvavakaita, ndichafamba navo kwese.
Ndakatenda Prosper nekundinunurawo, ndakamuudza kuti Mwari vakuvhenekere uye vakusimbise. Kwainge
kwakutotanga kusviba, Prosper akandisiira nechekure mbichana ndakafamba netsoka zvino ndachisimba,
ndaiziva kuti, Tsvimbo yake nemudonzvo wake zvichandi nyaradza. Ndakasvika two glz dzakagara musofa
dzichimirira kuti musikana webasa auye abike. Ndakapinda zvangu ndakarova ma serious "Hey Liossa ukubvepi
this hour usina kumbobika unoti tinodyei zvakwasviba kudai? Zvandakuona wakamira pagate wazoendepi?
Unofarisa zvokuti uchingoti tsvina, kwawanga waenda netsvina dzako idzodzo ndekupi nhaiwe? "akadaro
Munashe achindivhairira. Hapana kana chimwe chandakapindura, ndakabatidza stove ndotanga kubika,
vasikana vaive biz pama laptop avo, ndakanzwa vofonerana nema boyfriend avo, but ndainge ndndisisafarire
kuona prosper ari mudhuze ma Munashe. Vainge varangana kuzorara kumba sezvo Mai Munashe vainge
vasipo, ndichingopedza kubika vakomana vakapinda ne door reku kitchen vakadungamidzana, pavakapinda
ndakanzwa kunhuhwirira kwakanaka mumhino dzangu. "Hesi Liosa"vakomana vakaitirana, ndakadaira
ndakatsikitsira zvangu ndakaona kuti pane abatikana neni. Munashe akauya ozopakura kuitira vaenzi vavo,
ndakaona chikafu chodzoka vanhu vachiti vakaguta, ndakaona Munashe akasuwa chiso chake. Ndakaenda
kumbonotarisa kubedroom kuti ndimboona Daddy kana vainge vachiri kufema, ndakabva ndafunga kuvavigira
mvura yekunwa nokuti ndaiziva kuti nzara nenyota zvainge zvavabaya. Ndakapinda ndakaona vachiri kufema,
ndakavamwisa mvura asi yaingoyerera, ndakabuda ndovhara door ndodzokera kunosuka neku cleaner ndakaona
vaviri vosimuka kuyenda, sare vamwe vaviri. Ndaiti zvimwe Uncle pavaenda ndichadzokera kuroom kwangu
asi ndakaona kuriiko kwaienda Mufaro newake. Zvaireva kuti ndaizorara mu kitchen painge pasina yakanyanya
hapo sezvo ndainge ndajaira kumurara. Ndakatora mabhuku angu ndoverenga, hope chaidzo ndainge ndisina
ndaida kuona kuti Pro aizoita here zvaainge andiudza, ndinotarisa nguva ndinoona dziri kuma 23:00 vanhu
vainge vaenda kunorara kuma 20:00 ndakati asi Prosper akanganwa zvatakawirirarana kani. Prosper ainge audza
Sister yake kuti yozomufonera ichimuudza kuti huya izvezvi kumba hakuna kumira mushe, zvisinei fone ya
Prosper yakarira prosper samunhu ainge akamirira that call akabva angodaira, Munashe wo pakarira fone ya
Prosper akabva angopepukawo, akanzwa prosper achinzi auye kumba nekukasika, Prosper akabva angokata
fone nokumuka chop chop kuita sekunge ane kwaaimhanyira, anoudza Munashe kuti don't worry ndodzoka
izvozvi usa kiye madoors, semunhu aiainge akajaira zvepamusha apa Munashe haana kuda kumbomuperekedza.
Prosper anobuda muroom ya Munashe achifambisa anosvikovhura mubedroom anoisawo nzeve yake pachest
pavo anonzwa kuti hupenyu huchiripo, anoti, thank you Jesus. Prosper anoisa Baba vangu pabendekete rake
ndaitarisira kuti achauya onditi huya tibatirane, asi ndakasha misika kuona Prosper achitatarika navo ,Prosper
akadarika nemukitchen mandainge ndakarara akatakura Baba vangu, ndakanyatsoona hushingi hwaiva muna
Prosper. Akasviko vaisa mumota achibva angomutsa mota, akadzoka achifambisa onditi ndokuona mangwana
akabva andikandira fone ahiti aizondifonera pafone iyoyi. Ndakanamata zvandainge ndisati ndamboita kubvira
mhamha vari vapenyu, ndakafamba ndonokiya door repa bedroom ndoviga makey angu. Prosper akabva
angonanga na daddy kwa Mtoko aiziva kuti mu Kotwa vaizokasika kuwanikwa, saka akabva angonanga navo
ku Nyadire hospital ndipo paishandira Mai vake, akabva angovafonera achiti kana musiri pa duty huyai
tisangana kubasa kwenyu pane emergency. Mai vake vachiona mutoro waive nemwana wavo vakarohwa nehana
zvekuti vakamubvunza kuti munhu akufa uyu wamuwanepi? Akavati zvakawanda tozotaura mhamha
chimbobatsirai munhu uyu munyerere, ndokumbirawo kuti muvaisewo mu private ward. Prosper akamirira kuti
varidzi vebasa iri vaite basa ravo asi haana kwaakaenda. Vakazoti vapedza Prosper ndokuoneka odzokera
Kotwa akaudza Mai vake kuti vamutarisirewo murwere wake iye aizodzoka masikati. Munashe akaramba
akateerera nzira asi hapana chakadzoka, akaedza kufonera fone dza Prosper one yainge yakadzimwa imwe yaiva
neni, yaiti ikarira ndoikata kusvikira ndadzima. Munashe akamuka achiratidza kusvotwa asi nechemumoyo
ndaingomuti mavambo ayo mukoma. Ndakaita basa rese semazuva ose vese vakageza vakabuda, mufaro
akatakurwa newake sare Munashe akamirira Prosper kuti anouya omutora, prosper haana kuwanika, ndakaona
sisi vonhonga ka bag kavo vobuda vakafundumwara, ndakangoti manya. Vachingobuda ndakabva ndabatidza
fone iya, prosper akabva angondifonera achiti aizouya onditora toenda kunoona Daddy kwaainge avasiya, saka
ndaifanira kugadzirira chainge chondinetsa ndiwo madhende andaipfeka aya, pane dzimwe nguva yekuti
unozvinyarira, wega kana kusununguka pane vamwe unotadza. Prosper akauya ndatopedza zvese tichibva
tangoenda kwaizikanwa naye, akandiudza kuti aida kunditengera hembe bcoz taizosangana nehama dzake uye
ainge apa report kubasa kuti aive nemurwere, kureva kuti vekubasa vaizouyawo, ndakamuudza kuti kunyangwe
ukatenga inotorwa nana Munashe, ndakamuudza kuti hembe dzandaipfeka dzaive dzavo dzangu dzainge
dzatorwa navo dzese. Prosper akati no problem hande ndokutengera vakatora ndichatangira ipapo.
Akashamisika nekuoma moyo kwemunhu waaiti musikana wake ruvengo rwa prosper kuna Munashe rwaikura
zuva roga roga. Takazosimuka ndachena manje ndapfeka mupfekero wangu chaiwo wandainge ndakajaira Mai
vari vapenyu, ndakatenda Prosper ndichimuudza kuti wabva wandifungisa Mai vangu ufunge, l love you
Prosper. Prosper akabva ambomisa mota mudivi meroad ombondimbundira akandiudza kuti ndino kupromiser
mufaro wakanyanyisa muhupenyu hwako Liossa akabva andikisa pahuma. End of chapter
11 Stay blessed
[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Why My Mother Why? Chapter 12
Story by precious Chikwengwe _______________________________"Even
though I walk through the darkest valley, I will fear no evil, for you are with me; your rod
and your staff they comfort me. Ndakanamata hangu ndarangarira murume anonzi Dhavhidhi uyo anonzi
neshoko raMwari, he is a man after God's own heart. Ndaizofarawo kuvawo pamoyo wa Mwari, ndakarangarira
kwandaibva nekwandaienda ndakaona kuti ndaive mumupata chaimo zera rangu rainge raita diki
nezvandairarama. Ndakatanga kufunga kuti ko mainini pavachauya vachandibvunza kuti Baba varipi? Ndichati
kudii? Ko Baba vangu ndovawana vari vapenyu here? Ko Munashe akaziva kuti ndini ndine mukomana wake
anondiponesa here? Pauro anotaura kuna 1cor 10:12 oti, So, if you think you are firm, be careful that you don't
fall! Ndonguva yandainge ndorarama mairi. Nguva iyoyo misodzi yangu yakaerera ,"Liossa what is it again?
"akabvunza Prosper aona misodzi yaibuda two two. Prosper akakonesa mota oinangisa pane imwe shop. Zvese
zvaiitika apa hapana kana chandaimbofarira moyo wangu, waingofunga Daddy vangu. Takaburuka topinda
muboutic yainge ine mbatya dzemhando yese akanditi ndisarudze yakanaka nebhutsu dzacho. Ndakaudza
musikana aishanda imomo kuti ndisarudzirewo zvakanaka, musikana haana kunonoka ainge atondisarudzira,
yaive choice yake asi zvakafadza meso angu ndakaenda ndonoedza. Pandakabudamo ndakasanga nidzana meso
na Prosper "waal this is nice, you are looking gud babbie "akadaro Prosper achirova smile yandainge
ndakapedzisira kuona muvanhu kare. Akabva abvunza price ndokuudzwa akabva angonobhadhara mari yacho
topfuurira nerwendo rwedu. Prosper ndinokutenda zvikuru nezvaunondiitira mazuva ehupenyu hwangu, Mwari
vave newe nguva iyoyo Prosper akabva avhara muromo wangu neruoko rwake, akachiti nyarara zvauri kutaura
handisi kuzvifarira. Akanditambidza chikafu chaainge atenga ndakangonwa mvura chete, moyo wangu wainge
wakasviba. Ndaiti ndikafunga zvaive Baba vangu vari mubedroom ndainzwa kuzarirwa. Prosper akatoedza
kundinyengerera kuti ndidye asi ndakamuudza kuti ndaizodya ndaona Baba vangu. Prosper ainditarisisa
achindibirira ndaimuona zvangu, mandiri ndainge ndichinzwa kuti ndakachena. Prosper akandibvunza hupenyu
hwangu ndakamuudzs hwese ndakanzwa oridza tsamwa achirova rova dashboard nechibhakera, achiti she is a
murderer. Ndakavhunduka ndobvunza kuti ani? Prosper haana kundidaira akabva angokonesa mota topinda
painge pakanaka apo painge pakakura zvainwisa mvura. Paakamisa mota akabva angonditi tasvika Liossa
buruka, akadaro achindivhurira door. Ndakaburuka prosper achibva angondibata ruoko topinda mukati. Prosper
akafonera munhu waaiudza kuti tasvika tosangana kuward. Visting hour yemasikati yakabva yava kutokwana
saka ndaiona Prosper achti tikasvika pane security offlasher ka card ndaisa kaongorora zvangu kuti kambori nei
kari kuita kuti tibve tangopinda. Takafamba toenda kwainge kwakati zii, Prosper akabva angovhura door
ndokutendeukira kwandiri oti kuno hakudiwe noise Liosa usacheme hantika, aitaura Prosper akandibata
mapendekete angu. Takafamba toenda pabed paive na daddy, Prosper akavavhura jira ravainge vakavharwa naro
raive rewhite. Hutambo tambo wandakaona pana Daddy vangu hwakandityisa dzimwe dzaipinda nemumhino
dzimwe mukanwa, ndakatarisana na prosper pasina akataura nemumwe. Prosper akabva angondimbundira achiti
vanoita zvakanaka don't worry Liossa, pakarepo door rakabva ravhurwa kopinda vanhu vainge vane ma skins,
Prosper akabva angondisiya achindipukuta misodzi nekagumwe kake. Akatambira vanhu vaye achiva huger
vese, ndakabva ndango peta maoko angu ndoona zvangu ndoona vanhu vaifara havo. Vese vakasvika pandaive
vondimhoresa neruoko vondipa ka hug. Vakazosvika pabed paiva na daddy vovaona, mudzimai ainge akaita
wechikuru so, akabva angoti get well soon. Ndakasimudza meso angu kwaari ndichimutenda nechemumoyo,
misodzi yangu yakabva yangoti churururu. Mhamha vaye vakabva vangoti imbogara pasi mwanangu, vakabva
vangondigadzika pasofa raiva muroom iyoyot pt4rym
[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Continuation of................................... Why My Mother Why?
Chapter Twelve Story by precious Chikwengwe
_________________________________ Mai vaye vakandigarisa pasofa raiva muroom yaiva na daddy ivo
vogara padivi pangu. "Eee mhamha uyu anonzi Liossa ishamwari yangu yepamoyo, ava vataunganira kuzoona
ndibaba vake. "Akadaro Prosper achiudza madzimai mana ainge ari mu Ward umu. Asi ndakaona hangu kuti
mumaziso evakadzi ava mainge muzere mibvunzo yakawanda, asi Prosper ainge atopedza kutsanangura.
Akapfuurira mberi oti Liossa ava vaugere navo ndimhamha vangu netwo avo ndivana mhamha vese ndofunga
uri kungozvionawo kuti foroma yacho haina kurasika. Akapfuurira mberi oti "avo kaavo ndivo inini ndofunga
ukungoona kuti takafanana ndiyo first born yemumba medu. "Prosper achingopedza kutaura ndakabva
ndatongosimuka nekuda kwerudo rwakadai, ndakanzwa kudziirwa nevanhu ava. Ndakasimuka ndopa hug one
by one ndichizvimanikidza kusmiler, akaziva kuti ndainyepedzera ndi Prosper chete. Ndaiona hangu vanhu
vachinditarisa, vaisanzwisisa nezvangu, Mai Prosper ndivo vakazobvunza kuti "ko iwe zera rako nemutoro uyu
hazvipindirane, mhamha varipi? Vakadaro Mai Pro nemoyo wekuda kuziva, Handina kukwanisa kuvadaira
mashoko akatadza kubuda mumuromo mangu, ndichibva ndangoridza mhere, iyo yakaita kuvhundutsa
vandainge ndinavo. Vese vakandiunganira vondinyararidza, Prosper ndiye ainge akaita zvekundi vhara muromo
neruoko rwake. Ndakazorangarira kuti Prosper ainge ambondiudza kuti hakudiwe noise, ndakazopedzera
shungu mumaoko aPro. Ndakanzwa fone ya Prosper yandainge ndakabata yo ringer, ndakatambidza muridzi
wayo, Prosper akaitarisa akaipisa chiso achibva angoikata. Mai vake vakabvunza kuti aiva ani waainge atadza
kudaira? Akapindura achiti ndi Munashe otarisa divi. "Ko wadii kumudavira mufonere izvozvi! Ndipe number
dzaashandisa ndifone ndinzwe kuti chii,? Ndakabva ndatoona kuti Munashe aizikanwa mumhuri yana Prosper,
ko Liossa uchaita sei? Prosper akabva aramba akanyarara, akabva atochinja nyaya otaura zvekubasa kwake
nekubasa kwe Sister yake. Ndakaona kuti nguva dzakuda kukwana kuti tibude ndisati ndaitira Daddy vangu
prayer ndaiwanzo zviita kana tashanyira varwere muzvipatara se youth, saka ndaitoziva kuti murwere anoda
kuteurirwa. Ndakabva ndati ndokumbirawo kuita a short prayer tisati tabuda, vese vakagutsirira nemisoro
vachitaridza kubvuma. Ndakabata musoro wa Daddy vangu ndotaura nyasha dzinomanikidza kuti zvimwe
zvinhu zviitike. Ndakaudza Mwari kuti hero bvupa rakaoma ngarirarame zve. Makaudza Dhavhiti kuna Psalms
91:16 moti "With long life I will satisfy him and show him my salvation " kunyangwe Baba vangu vagutsei
nehupenyu hurefu, anobva akuudzai imi Mwari asingatye Dhavhidhi anoti Psalms 118:17" I will not die but
live, and will what the Lord has done. Ndoda kuti na Baba vangu vazopupurawo kugona kwenyu. Ndakatanga
kuchema ndichinamatira Baba vangu ndakadongonodza Isaiah 53k kubva paone ndichibvunza Jesu kuti
ichokwadi here ichi? Kana chiri chokwadi mavanga enyu ngaaporese Baba vangu. Pandakati Amen hapana
akadaira vanhu vese vainge vongokwiridzira madzihwa, semunhu ndainge ndadurura moyo wangu pana
Jehovah ndakabva ndanzwa kusununguka. Takazobuda muhosptal tonanga kumba kwana Prosper mamaMtoko
imomo. Ini moyo wangu wainge wofunga kotwa kwatainge tabva. Ndakaudza prosper kuti ini manheru
handichaamiriri chindikwidza bhazi iwe wosara wopinda wozondiudza. Prosper haana kuita nharo akabva
angondikwidza bhazi ndodzokera kumba, ndainzwa hana yangu ichirova ndakasviko vhura gate ndopinda
zvangu ndichiita semunhu aive mu area. Ndichisvika pamba ndakawana pasina vanhu ndakati mazvita Jesu. Asi
ndisati ndambodii ndakanzwa gate richivhurwa ndakati rega ndione kuti ndiani? Ndakanzwa simba richipera
mandiri. End of chapter 12. Stay blessed
[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Why My Mother Why? Chapter 13
Story by precious Chikwengwe _________________________________
Psalms 18:29 "Na Mwari uyu ndichavamba hondo, na Mwari uyu ndichasvetuka rusvingo. "Anodaro David apo
ainge anzwisisa kuti Mwari vake vanomukundisa hondo. Ndakadongorera nepahwindo ndokuona mhuri yese
ichipinda mugate, apo ndainge ndichango pindawo. Ndakamhanya kubvisa zvandainge ndakapfeka
ndozvindonyera muchikadhi box chaive muroom yangu,icho chaingogarawo zvimadhende zvainge zvakauya
namai Munashe nemhuri yavo. Ndakamhanyira kutora hembe yandainge ndabvisa kuseni kwacho, yainge ine
tsvina zvayo. Ndakamhanyira mukitchen ndotora chekushainisa nokuti ndaiziva kuti kuwanikwa ndakamira
kana kugara raiva dambudziko kwavari. Ndakatanga hangu kushaina mu passage nokuti ndaisada kusangana
nekamhuri aka,ndaifunga kuti vanhu ava vachapinda mu mudining asi ndakaona vadunga midzana vakananga
kuroom yevanasikana vavo. Ndakavasweresa hapana akandidaira, ndakatarisa face dzavo ndakaona kuti
Munashe ainge akatozvimba maziso achiratidza kuti ainge achichema Mai ne twin sister yake vainge vakasuwa.
Ndakaziva kuti painge pasina chimwe Prosper chete. Pandakafunga Baba vangu hana yangu yakarova, ndainge
ndisina kana mhinduro yekupa Mai Munashe kana vaizondibvunza. Ndakaona kuti mashoko aya aDhavidhi
ainge odiwa muupenyu hwangu, nokuti ndainge ndavamba hondo zvainge zvoda Mwari kuti ndikwanise
kusvetuka rusvingo rwainge rwaka ndikomberedza. Ndakabva ndanotangira necheku spare ikoko ndaida
kunzwa zvaitora nzvimbo. "Hameno kuti mari yebenzi riri mumba umo inobuda rinhi? Ndaida kuti ibude rafa,
totengesa imba ino tonotenga yedu, dai pasina iwe wandifonera kuti ndiuye nenhau dzako na prosper dai ndisina
kumbouya, ndaida kudzoka onhuwa mumba imomu bcoz mushonga wandakamupaka hausi uya unokasira
unobatwa pa postmortem. Saka toita sei ngatirongei zvinopera ndoda kudzokera kwandainge ndiri ndichazouya
navo Baba venyu vandava navo vanga vachito kumhoresai".Vakadaro Mai Munashe vachironga hupenyu
nemhuri. "Mhamha kuti tinobudirira here pakutengesa imba, nemari dzekubasa nedzimwewo"akabvunza
Mufaro. "Don't worry glz mhamha munovaziva wani vanotsvaga zviri best kwamuri, pese pane zita rake pane
zita rangu, kunyangwe saloon takabvisa vakafa takaisa vapenyu ndini nditoripo. Ndakanzwa moyo wangu
kurwadziwa, ndakasimuka ndoenda kumbonochema, ndainge ndarwadziwa nemashoko airongwa na Mai
Munashe, vaida kubuda nemuhapwa dzepamba pedu. Ndakatanga kufunga kuti ndaizoita sei nenyaya idzi? Ko
ndaizowanazve mukana here wekuti nditaure naprosper ? Ko Baba vangu vakanonoka kupora vaizobuda
muhospital zvinhu zvatengeswa kunze kwe mba yainge yadefendwa na Prosper. Ndainge zvino ndaita
hwekuwaridza saga rangu ndaisa pillow ndatsikitsira ndakaita zvekurara nedumbu. "Kutorara zvako, watibikira
here hauna kuona kuti tauya here? nhaiwe imbwa iwe, " vakadaro Mai Munashe vachindirova mabhutsu
emudumbu. Ndakasimuka ndakabata mudumbu mangu umo mainge moita semamonana matumbu, ndakanzwa
kupera simba, ndakadzokerazve pasi. Ndakanzwa kutaura kwe voice raaita sera Prosper, ndakanzwa simba
richiuya mandiri, ndakamuka ndobva ndatanga kukambaira ndichibuda muroom yangu ndopinda mu passage
ndakabva ndaita mahwekwe na Prosper aina Munashe. "Chiiko nhai Liossa? Aaa kamunhu aka taneta nako pano
kanongo gara kachirwara rwara, ngakaende kanotestwa. "akadaro Munashe achindi junga junga musoro pamberi
pa Prosper. Ndakabva ndangoti ndarohwa na mhamha,"haa shut up! vhara gaba iro enda unogeza stupid
pwetere pwetere chii ipapa, "akadaro Munashe akabata mu worst ma Prosper. Prosper haana zvaakataura
akaramba akamira achiita seaisanzwa zvaitaurwa, akamumirira kuti apedze kupopota ainge zvino akuita
seagarwa neshavi Munashe vakazofamba voenda kuspare kwana Munashe. Ndakasimuka nemadziro ndobva
ndatanga kufamba ndakabatirira madziro ndoenda ku kitchen, ndakasviko batidza stove ndisingazive kuti paida
kubikwei nguva dzainge dzoenda kuma 19:00hrs ndaka gadza mvura, asi ndakashamisika kuona mainini vataura
bag voperekedzwa. Vainge vasina kumbopinda mu bedroom vaida kuwana Baba vangu vaora vongosvika
vachidaidza police manje vainge vanyangira yaona. Ndakaona vanhu vodarika nnemukitchen kusanganisira na
prosper uyo akandikanda ziso ndichibva ndamukandawo rangu, achibva angondipa sign yandisina kuziva
zvayaireva.Ndakasara ndirimo ndobva ndangobika zvandainge ndaona zvinobikika. Ndakanzwa mota yomutswa
ndikaziva kuti vanhu vainge vabuda, ndakasara ndombodyawo ndakaona uri mukana wangu wekudyawo nyama
zuva iri.Ndichingopedza kudya ndakanzwa mota kupinda mugate ndakageza muromo fast ndotanga zvzvangu
ku cleaner stove. "Eee liossa shaa siya zvauri kuita timbobuda, ndakabva ndangosiya ndotevera shure kwa
Prosper. Takapinda mumota mota ndokusimuka, pasina nguva Munashe akafona, achida kuziva kuti Prosper
aivepi? Ndakanzwa Prosper otaura nehasha kuti ndimirire ipapo ndakutosvika. Takafamba toenda pakasango
katainge takamboenda"Liossa ka Daddy vari ku recover wena mhamha vangu vati vanoita zvakanaka don't
worry ngatinamate chete. "Akadaro Prosper andimbundira mumumaoko a. "But paye ndarwadziwa wena
pandpandakuona uchitambura nemarwadzo ndapotsa ndakusimudza ipopaye, but ndazoona kuti ndikamhanya
hatizonyudzi vanhu. "Ndakaudza Prosper zvose zvandainge ndanzwa vachironga ndakaona Prosper abata gotsi,
akazvirova huma nechibhakera katatu akabva angonditi hapana zvimwe here? Ndakamubvunza kuti mainini
vaiendepi? azvifambisa sei kuti iye adzoke? "Zvandaita ndanga ndauya kuzoona kuti wafamba sei Lio
ndopandaona kuti mukana hapana wekuti titaure, ndanzwa zvichinzi mhamha vari kuda kuperekedzwa ku rank
kuti vaende Nyamapanda, ndabva ndangozvifarira, saka pandavasiya parank ndopandabva ndati
ndichambonoona munhu ane mari yangu ndodzoka ndomutorai mundimirire pano. "akadaro Prosper
achisekerera zvake. Ndakamuti ngatichiendai prosper nguva iyoyo takapinda mumota toenda akandisiya
paanosindisiya omhanyira kunotora vana Munashe. Ndakasvika kumba ndopedzisa zvandaiita, ndakanzwazve
yopinda mugate ndikaziva kuti chikwata chauya ndainge ndakutoverenga hangu mabook angu, ndakafara
nokuti hapana akambotaura neni. Dzava kuma 22:00hrs ndakanzwa door rangu kuvhurwa ndakatarisa ndokuona
ndi Prosper akasviko pfugama pandaive ndakarara, ndokundizevezera munzeve achiti l love you Liossa
nyangwe zviite sei?? Akandi kisa pahuma ndokunyahwaira obuda pasina nguva ndakanzwa mota yomutswa.,
ndakaona zve adzoka akapfugamazve pandaive ndakarara kwakwakuti Lio mangwana ugadzirire kuma 10:00
ndouya ndokutora tinoona Daddy "akataura izvi akanditarisa mumaziso chaimo naiwawo mashoko Prosper
akabva abuda ndokuenda, ndakanzwa moyo wangu kuzadzwa nemufaro, ndakapfugama ndonamata ndichitenda
Mwari nekuda kwengoni dzavo huru, dzekundisanganisa nemunhu akaita sa Prosper ndichiti, Amen Munashe
pindikiti.
End of chapter 13. Stay blessed. Contact. 0775626. 204.
[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Why My Mother Why? Chapter 15
Story by precious Chikwengwe Contact (0775 626 204
____________________________________ " Uri kuti wakuda kudzokera kumba kwako here swty? Siyana
nazvo izvo, unozoenda pa Nyaradzo mhani wakufambira mari dzedu, kana usipo so katori ka 1 siya munhu afe
ega uko agovigwa."akadaro boyfriend yamai Munashe iyo yaive yechidiki yavainge vazvibatirawo. Mai
Munashe vanodemwezeka vakarara pachest Gunners, uyo wavaiti vakatarisa vaizvibvunza kuti sei ainge
akanonoka kuberekwa. "Ok daddy handichaenda nokuti ndoita zvinoda iwe, ndoziva kuti vana vangu kwavari
vari safe, vakazviwanira vakomana vavo mhene dzine rudo uchazvionera hako. Plus kusaloon kuya
kwandakakuudza kuri biz saka handivatyire zvangu maid wavo aripo anenge achivaitira basa. Tikatengesa
saloon iya totenga imwe kuno chihombeka chibuilding chiya. "Vaitaura zvavo Mai Munashe vakanyatso dekara
vachitaura newavaiona semurume wavo wamangwana. Uyowo aivaonawo seakazvibatira mbuya yake iyo
yaaizo benefiter pairi, Saka akazviudza kuti aitofanira kupengesa mbuya iyi kuti zvake zviite.
__"Ndati liossa ndiudze hembe yandakabata iyi nedzawakapfeka wadziwanepi? "Ndakangoti chemumoyo
"Lord take over my battles "ndadzipiwa na. Ndisati ndambopedza kutaura ndakanzwa voice ra Prosper
richiti"uri kuita noise yeyi nhai Munashe ?akabvunza prosper achimubvutira hembe yaainge akabata achibva
aibatawo. "Chii chiri kunetsa pahembe iyi nedzakapfekwa nhai Munashe? Ndiani muridzi wehembe iyi?
"akabvunzazve Prosper akatarisa Munashe mumaziso chaimo. Ndakanzwa Munashe otsanangura nhema dzekuti
ndakamunyarira. "Unoona Pro uyu musikana wedu webasaka ane tsika yekuti kana tisipo anopinda mu room
medu otanga ku seacher seacher, hembe yangu iyoyi ndine mazuva ndichiitsvaga ndopandamuwanikidza
akayiyanika panze kureva kuti akatomboipfeka achienda kuka church kake. Apa nhasi ndamuwanikidza
akapfeka dzaakapfeka idzo kuitawo here Prosper hiiiihiihii bvisa hembe dzangu izvozvi bvisa kurumidza.
"akataura Munashe achichema achindirova rova musoro achiti ndibvise hembe dzake, ini ndainge
ndoyeredzawo musodzi nokuti aindirova zvaindirwadza, apo ndainge ndakagara nechepa door paainge
andiwana ndiri. "Right Munashe wati hembe ndedzako hanti? "Akabvunza Prosper "Yes ndedzangu Pro,
akadaira Munashe ne voice rakakwirira. "Wakadziwanepi? nokuti ini handina kubvira ndakakutengera hembe
dzakadai, saka wodanana nemukomana akakutengera hembe idzi nekuti ndiri kuona kuti hembe idzo itsva.
Liossa bvisa hembe dzemuridzi umupe, ndakasimuka ndichirwadziwa nekuda hembe dzangu uye kundirovera
mahara kwaainge aita. Ndakavhara door ndokubvisa hembe dziya ndopfeka madhende angu, ndakatambidza
Munashe hembe uyo akabva angodzitambira nekudzibata. "Wosara zvakanaka Munashe wodanana
neakakutengera hembe idzodzo ini ndaenda"akataura Prosper achitofamba achienda, Munashe akatombozama
kumudaidza asi Prosper akaramba akaomesa gotsi rake, pasina nguva takanzwa vhuuumu, vhuumu mota
ichimutswa yakabva yatorova pasi. Munashe akabva anditema musoro nehembe dziya odziramwa achibva
aenda ku spare kwake. Ndakatora hembe dzangu ndikadzi kisser ndikadzirongedza pachena, ndakatanga
kufunga kuti ko Prosper ndichazomuonawo sei? Aizodzoka here pamba apa, ndakanzwa kushungurudzika.
Varungu vangu vainge zvino vavharirana mu room yavo. Ndakafamba ndoenda kukitchen semunhu ainge
anzwa nenzara ndaka gadzika poto pastove yainge ine mvura, nguva dzainge dzoenda kuma 18:00hrs
ndichitofunga zvangu mhamha, kuti vaisada zvekudya husiku uye ndainge ndagarisa ndisina kuenda kunovaona,
ndakangoerekana ruoko dzvii, ndichitodhonzwa. Ndakadhonzwa zvine simba ndichibuda mukitchen
ndakatevera kwandaidhonzerwa, handina kana shoko randakataura. Ndakatarisa munhu ainge akandibata
handina kumuziva, takabuda gate ndopandakazo bvunza ko ndiwe ani ukuendepi neni? Haana kundidaira
akaramba akandibata zvine simba ndainge zvino ndavhiringidzika ndakasvika ndichisiiwa painge pakamira
imwe mota yandisina kuziva. "Hesi Liosa! Ndakasvetuka ndichinowira mumaoko aProsper, ndakazorora
ndirimo nekuti ndainge ndanunurwa kubva kumunhu wandaisaziva, ndakaona munhu uya opihwa ten dollars
achiti thanks blaz maspaka, asi munhu uyu aiva muhombe kuna Prosper. Am sorry Liossa nezvawaitwa
nemuroyi anonzi Munashe ndarwadziwa shaa ndati handingarari ndisina kukuona. Uri sei musoro wako
ndihwo hupenyu hwaunorarama shuwa here Liossa, takafamba topinda mumota ndakaona Prosper akuchema.
Akandiudza kuti aida chitupa cha Daddy nekukurumidza. "Munashe achadanana nehembe dzako and haaone
futi gumbo rangu richimufambira ndoda kuona huroi hwamai vake kwandiri haushande. Takasimuka na Prosper
toenda kwandaisaziva mota yakasvikomira pamberi peimwe take away. "Ndikuziva kuti unenzara Lio ukuda
chii? Ndainzwa kuti mudumbu mangu hamuna chinhu, motoda sadza chairo. Ndakabva ndangoti sadza ne beef,
akanditi huya tiende ndakazvitarisa ndakaona zvisingaite ndaisava nebhutsu mugumbo, uku hembe yandainge
ndakapfeka raiva dhende ndakazunguza musoro ndachiratidza kuramba, pamwe nemisodzi. Prosper akazviona
akabva auya kuzondiburutsa takafamba tichipinda munzvimbo yainge yakaita semasikati, ndaizvinyarira asi
Prosper ainge akatondibata ruoko rwangu. Ndakagara pachair ndovigirwa sadza rangu neveimomo, Prosper
akabva ati Ndikudzoka izvozvi. Ndakaona sedzaiva shungu dzekuti ndidye asipo, ndakabva ndangofara
nekubuda kwake. Prosper akazodzoka patova paye achinditambidza fanta ndakainwa ikandinakira nokuti
ndainge ndapedzisira kuinwa kakare. Takabuda todzokera kumota, mota yakasumudzwa todzokera kwandaiva
ndabva, "Prosper mangwana ndichaenda ku cemetery kuseni ndagarisa ndisina kumboona mhamha. Prosper
akanditarisa akat usaende wega ndichaenda newe liossa. Ndakamubvunza kuti ko nhasi patabva kwaMtoko
wanga wakatsamwei? "Hey sorry Liossa handifanire kudaro mberi kwako, pandangofunga chete
zvawakandiudza zviya maererano ne property yamdhara nehurongwa hwana Munashe handina kuzomboita
peace. Ndofanira kuva ahead kwavari ivo vanofanira kusvika pandakasvika kare. Saka nhasi wotsvaga chitupa
cha Daddy then mangwana patoenda ku graveyard wobva wandipa. Prosper akabva angondisiya pemazuva ese.
Ndakamhanya ndakananga kumba ndakabva ndangorangarira poto yandainge ndasiya ndichingopinda mumba
ndakawana varungu vangu vamire nemakumbo four, four. "Liossa ukubvepi husiku hwakadai apo kusiya poto
pastove ndekupi kwawanga waenda nemadhende iwayo usina bhutsu futi kweee deee, zvawava kuto practicer
hu streetkid husati hwasvika, vasikana vakandiita part yemashoko. "Ungasiya poto iri pamoto une shuwa iwe
chimboinzwa zvainoita, ikabooka poto iyoyo unoita sei? Ndakabva ndangoti ndeya mhamha ndakaipihwa haina
basa, neiwayo mashoko Munashe akabura poto yaiputika ondigadzikira kumeso, dama rangu ranamuka ipapo
ipapo. Ndakaridza mhere yakadeedza manext door ndakavaudza zvainge zvaitika vamwe vakati enda ku police
zvanyanya manje, pakataurwa mashoko akawandisa zvekuti vakazvimbirwa nawo. Ndakazorwa mushonga
nevamwe Mai ndokurara hangu. Hondo yainge yava yekutsvaga lD ya daddy apo marwadzo ainge atanga.
End of chapter 15. Stay blessed
[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Why My Mother Why? Chapter 14
Story by precious Chikwengwe Contact (0775 626 204
___________________________________"Liossa ndanzwa kunge wanga uchitaura nemunhu wani? Ko wanga
uchiti Prosper, Prosper chii? manje unofunga kuti angade tsvina dzakaita sewe? Uchatomuonera kuhope
mpfanha wangu, haisi class yako. "Aitaura Munashe akaita zvekundi tanangira akandiisa pakati pemakumbo
ake. Ndakamuka ndokubva ndamutarisa ndisingatombo mutye nekuti ndainge ndonzwa jelous ndikamuona.
"Ndati wanga uchiti prosper, Prosper chii? "akabva ataura achindi junga junga musoro. "Ndanga ndichitonamata
zvangu ndichitaura scripture iri pana Psalms 91:16 inoti With long life I will prosper him and show him my
salvation "ndakadaira Munashe ndichimunyepera. "Kekeeeeede vana Liossa muchiri kunamata Mwari,
nezvamuri izvi muchaziva henyu kuti Mwari hakuna makunhonga muma bin. "Akataura Munashe neizwi raive
nekurevesa mariri. Akabva afamba achibuda achiti motoda long life nezvamuri izvozvo vana Liossa. Ndakasara
ndakabata hana yangu nokuti ndaive nemhosva yekupota ndichimubira Prosper wake. Job 10:15 anoti kana
ndiine mhosva ndine nhamo,ndakatanga kuona kuti ndaipedza nhamo nedzimwe nhamo. Asika pasina Prosper
ndaizovei? Iye Prosper wacho ainge asisadzoreki ainge oita kunge ndini Munashe ,Munashe ndiye Liossa.
Ndakazobiwa nehope ndokurara, semunhu aifarira kunoona Baba vake ndaingonzwa mufaro mandiri. Hakuna
kuzononoka kuchena ndakabva ndangomuka ndikaita basa rangu ndichiziva kuti ndiri parwendo. Varungu
vangu vaivepo vachingo shenaira zvavo, vachigadzirira kuenda kubasa kwavo. Asi vaindinonokera semunhu
ndaida kuwacha dress rangu kuti riome, bcoz Prosper aishanda nenguva dzepa wachi chaidzo, zvino raizooma
here dress rangu nhai Mwari? Ndakari tora mukadhibhokisi marainge riri ndoenda naro kubathroom kunori
wacha, ndakabva ndangogeza ndichida kuvaraidza nguva kuti varungu vaende. Ndichingopedza kugeza
ndichinzwa mota panze ndakadongorera ndichida kuona kuti yaiva yaani? Ndakaona ari mukomana wa Mufaro
ainge awuya kuzovatora. Ndakabuda ndono yanika hembe yangu, ndine mufaro wakapetwa nokuti vavengi
vainge vaenda. Ndakadzokera mumba ndozora mafuta ndichida kuzonoita kakapu ke tii. Ndichingopedza
kunwa tea ndakanzwa mota yatosvika, panguva zvapo Pro aisajaidza kana ati ten iten. Prosper akapinda mumba
ndichingo dzivaira zvangu, ko ndaizivaka kuti hembe inyoro chekupfeka hapana kana chekunyebera chaicho
chaisavapo, kunze kwemadhende makuru kwandiri. "Eee Liossa kuzenge uri kutaridza kusafarira kunoona
Daddy hindava shaa? Akabvunza Prosper akazvirereka zviya zvekuda kuti nditaure zvose. "Hembe yangu
inyoro sorry ndanonoka kuiwacha ndakabva ndayeredza misodzi ndaona kuti zvainge zvakaoma zvehupenyu
hwangu,. "Oooh sorry ndakuunzira hembe Liossa ndndinoziva dambudziko rako kudarika iwe muridzi
waro"akataura Prosper achitobuda kuenda panze ndakasara ndikajamba jamba ndichiverenga kuti ndave
nembiri dzinoendawo kuchurch. Akabva angonditambidza paper bag yaainge akabata, ndakaombera
ndokutambira hangu ndomhanyira kuroom kwangu ko pfeka. Ndakaona kuti Prosper aive nechoice seyangu,
ndakapfeka netu pums twacho ndokubuda ndoenda kumota kwandainge ndamirirwa na Prosper, ko ma door
edu ainge ongosara akadaro ko taigotya ani, ndaingoitira kuti anenge asvika anongofunga kuti ndiri padhuze.
Mota yakasimudzwa toenda na Prosper, akandiudza kuti taifanira kunobata 1:00 kuitira kuti tisvike vamwe
vachirimo. Prosper aiti aka driver driver oti ndee kwandiri, " nhai Liossa waivepi mwana iwe ndichipindana
nedambudziko rakaita sana Munashe ndicharibuda sei dambudziko randakatanga iri. Aitaura Prosper achiratidza
kushishikana zvikuru, ko ndaigopindurei hangu chandaiziva. Akademba zvose akatuka zuva rakaberekwa
Munashe, akatuka kunyangwe raakapa moyo wake kwaari, Prosper akazvidemba akapedzisira obuda misodzi.
Semunhu ndainge ndakajaira kupukuta yangu nehembe ndakatora kuzasi kwehembe yangu ndopukuta Prosper
uyo akabva angoti thanks achindi kissa padama. Nenguva isipi tainge tatopinda mamutoko, akanditi ndiri kuziva
kuti une nzara Liossa hande ndokutengera chikafu, ndakamuudza kuti handigone kudya ndisati ndaona Baba
vangu. Akatenderana neni ndobva tangonanga zvedu kuward kwaiva na Mdhara wangu, ndakapinda ndine
picture yezuva randainge ndabvako, asi panguva iyi ndakaona Mwari vagere pachigaro vachitonga zvavo.
Revelation 5:1W Who is worth to open the book ?vachi challenger havo Mwari wangu. Vaisataura havo Baba
vangu asi ndaiona hupenyu pavari, panguva yandakavatarisa ndakaona smile pamuromo wavo ndakaona
miromo yobvunda ndakabatwa neshungu, Prosper achibva andibata ondibvisa pandainge ndiri hama dzake
dzakabva dzapindawo. Daddy vakapa Prosper sign yekuda kumutswa, mhamha vake ndivo vakazovabatsira.
Ndakaona Prosper otenderera nechiroom chese achirova rova madziro, vanhu vakaramba vakamuyeva kuti
chainge chava chii zvekare. Daddy vakapihwa chikafu chainge chauya nevanhu vekwana Prosper ndakafadzwa
nazvo nokuti vakanyatsodya kunyangwe zvaiva zvitete, ndozvaienderana navo. Ndakatarisa mhuri ine rudo iyi,
ndikazvibvunza kuti ko ndichavaitireiko vanhu ava. Nguva dzakakwana tikabuda tese, zvenguva iyi Prosper
aiainge ashanduka ainge asisina nyaya cher nani zvake..Akabva angowoneka hama dzake omhanyira kwatainge
tabva kana yekudya ndakabva ndakanganwika. Semunhu ainge asati anyatsijaira hunhu hwake
ndakangotarisawo. Takafamba nzira yose ichingori mumhanzi chete, Prosper aingokwenyawo musoro nehuma
yake pasina kutaura road ndiyo yakachiona chezuva iri. Ndichingopinda mugate mota yaka reveswa zvine hasha
yoenda ndakangotarisawo ndisinganzwisise kuti zvaifamba sei? Ndakafunga zvakawanda ko ndainge ndamudii?
Prosper ndakapinda mumba ndochema nokuti mufaro wangu waiva pana Prosper manje yaainge andiitira
ndakangoti asi adeedzwa na Munashe kahi? ,___Mai Munashe ku Nyamapanda boader haa zvinhu
zvaivafambira, vainge vatoronga hupenyu hwamangwana nemurume mutsva. Vainge vatorongera mari
yaizobuda budget, murume uyu ainge ovadira mari yavo. "Ukatengesa imba wotengesa saloon totenga zvimwe
kuno kusina vanokuziva. "akadaro murume ainge ogara namai Muna. Mai Munashe hapana chavairamba yese
mari ya daddy yainge yakatopera kare, vainge varonga hupenyu hwemhando yepamuso.Vakange vatowana
mabuyer aitoda zvinhu zvavo saka dambudziko painge pasina. Nhai Liossa ihembe yaani iyi? Hezvo kuzenge
wakapfeka zvitsvazvee,? "ndakavhunduka kubva mundangariro dzangu, ndichitarisa Munashe akabata dress
rangu nemubatirwo unoitwa anenge achitengeswa, ndakarangarira kuti ndainge ndaisiya panze kuti iome,
ndokuikanganwa pandakadzoka. "Ndati zvawakapfeka wazviwanepi? Uye dress iri rakanaka kudai nderani?
End of chapter 14. Stay blessed.
[22:39, 28/11/2016] +27 84 626 3490: Why My Mother why? Chapter 16
Story by precious Chikwengwe
___________________________________ Muviri wangu wakatanga kupinda chando, kutsva kwandainge
ndaita kwakandifungisa Mai vangu. Ndaifunga kuti zvazvinonzi mwana washe muranda kumwe
ndezvechokwadi ,kwandiri tsumo iyi yaiva yama nyepo. Ini ndainge ndaita muranda pamba pedu, ndaizodiiko
kuti ndibviswewo joko raiva mumutsipa wangu. Ndakarangarira hama dzamai vangu dzaisapera pamba pedu,
mhamha vari vapenyu, vana mainini vanin'ina vamhamha ndainge ndakura vachichengetwa pamba pedu. Asi
kuviga kwavakaita mhamha kana akadzoka hapana, nyaradzo zvayakaitwa vakagovana zvinhu vakabva
vangondifuratira, kana ivo vana tete na gogo vangu vainge vachiriko here kumusha uko. Mufundisi chaiye
aisabva pamba pedu asi ndakuita wekusangana naye munzira nemuchurch kana ndawana mukana wekutiza.
Kamumhoresero kavanondiita, kana kamudairiro kavo kanobva kandiremera kuti ndivaudze matambudziko
angu ose. Ndakatanga kuona hunhu wechipuka chinonzi munhu, ndainge ndongoda kuziva hunhu hwaMwari
oga. Ndakataura hangu ndikati Mwari ndiiseiwo pamoyo wenyu sezvamakaita David. Michah 5:7
pandakairangarira yakandipa simba, "Usafara neni muvengi wangu, kunyangwe ndikawira pasi asi ndicha
mukazve.Ndakaziva kuti Satan ainge ari pabasa zvino aigoshandawo ini nezera rangu here? Ndakaona kuti kufa
kwamhamha kwainge kwaunza matambudziko muhupenyu hwangu. Ndaifanira kunovabvunza mhamha kuti
Why My Mother why? Ndakazvibvunza kuti yainge yavambonje kaiyi? Ko nhamo iyi ndaizoibuda zvadii?
Kunyangwe Muparidzi akati:"Kunyangwe mavambo ako aiva madoko magumo ako achava makuru,
handikwanise hangu kupikisa shoko nokuti ndorandinotenda nekuti faith will be come sight ndozvoga zvainge
zvasara muhupenyu hwangu. Ndakati shungu dzaserera chironda chanzwa nekuvaviwa nemisodzi, kutonhorwa
kuya hakuna kupera, ndakasimuka ndotsvaga simba, ndaiziva hangu kuti Jehovah ndiro simba rangu.
Ndakabuda muroom mangu ndonanga kwadaddy ndaiziva paigara zvitupa kare mhamha vachiripo, ndakatora
key pandaiiviga ndokiyinura door. Ndichipinda ndakabva ndakiya kuitira varungu, ndakatarisa pandaiziva
ndakashaya,ndakagwedebudza pose neshungu dzekuda kufambirana nehurongwa hwa Prosper ndakarwadziwa
ndichishaya. Ndakaona ma gumbeze amhamha avainge vakatenga nekusona akawaridzwa pa mubhedha,
nechando chandainzwa ndakamboda kutora one, asi ndakaziva kuti zvaizondipinza panyayazve. Ndakapfugama
ndakabata magumbeze amhamha nemaoko ese, ndikati mhamha inga maitaura kuti ndiri kushandira Liossa
ndinorara ndakagara mumabhazi nekuda kwa Liossa Munoz mumba handirari ndichishandira mwana wangu,
pazvese mhamha hapana chandawana. Ndakabva ndangobatwa nehope ndiri mubedroom ya mhamha.
Pandakapepuka ndainge ndakarara pabed ndakafuga magumbeze aye handina kuziva kuti ndainge
ndazvifambisa sei?Ndakamuka ndodzokera kwangu ndakakiya door ndichinoti ndipinde muroom ndiye dhuma
na Mufaro, akandipima neziso achibva andidhuma achidarika. Baba vangu vainge vatiparira pachokwadi,
vakatadzawo here kumbotanga vandiyarutsa sezvinoita vamwe varume, dzidzo handina mufaro tese hatina
chiiko nhai Baba? Ndakazo batwa nehope kwakuchena ndaifanira kukasika kumuka semazuva ose asi
ndakatadza. "Heeede Mufaro huya undionerewo mwana wa Mai tarisa uone zvakarara apa, zvinofunga kuti
ndiani anotsvaira mumba muno, anofunga kuti ndiyani anotenga imba ine tsvina. Mufaro akabva angondizunzira
achibva angobuda hake. "Mune nhamo Amai mukutovhaira nekurara mumbaka zivai kuti manje manje munenge
mava pasi pe bridge."ataura Munashe achindizunzira achibva abuda hake, ndaiziva kuti hapana kushorwa
kunodarika kuzunzirwa nemunhukadzi ndakanzwa kahu stubborn kandaimboitira mhamha kachiuya mandiri,
kekunzi muka uite chakati ndoramba ndakarara ndaizowana mhamha vaita zvese ndova huger ndichivaudza
mashoko ekukosha kwavo ndichienda. Munashe akadzokazve ndokuwana nyaya ndiyo ndiyo ndainge ndakarara
nyama zvangu. Nguva dzavo dzekubuda dzakakwana vachibva vabuda vose, nemukomana wa Mufaro.
Ndakamuka ndichinzwa zviri nani asi face yainge yazvimba neronda rainge rakaita dzvuku, zvokuti aive
nemoyo mupfupi aisadya nyama. Ndakatora mutsvairo ndotsvaira asi ndaiti ndikakotama musoro wondirwadza.
Prosper akatuma munhu wake semazuva ese, asi mukomana uyu akatya kana nekundibata ruoko, haana
chaakataura neni kunze kwekuti ndatumwa na Prosper. Achidzokera negotsi akasviko dhumira pa door achibva
atarisa kwaaiyenda. Akawana Prosper akamumirira, Prosper akashamisika kuona mukomana wake asina
zvaainge amutuma akamumirira kuti asvike. "Ko nhaiwe ndozvandoku pira mari here zvekupusa
kudaro! ?"akataura Prosper nehasha. Mukomana haana kugona kutsana ngura asi kungotaura sign language
achinongedzera kumba kwedu. Prosper akazvinetsa mupfungwa kuti ainge ari ani ainge amutadzisa kuuya na
Liossa kuti Mai Munashe vakauya here? Manje kana variivo kana Munashe ndoda kunovaita rough. Anopinda
mumota yake prosper anosvika kumba kwedu ndakarara pasofa apo pandaingashandisa kana vasipo chete.
Prosper anopinda mumba ndakavarairwa zvangu ndichifunga kuti ndichaita sei ndiende ku graveyard. Pati
nosanganidzana meso, Prosper anodzokera shure nekushamisika anokangamwa kuti ndezvekubirira anobva
ascreamer achiuya kuzondisimudza pandainge ndigere. Anondigadzika mumota asina kutaura chinhu
anosimudza mota yake anyerere, misodzi yangu manyemwe akabva awanda pakuti ukaonawo anokunzwira tsitsi
shungu dzinobva dzawanda, takananga ku Cemetery prosper achiti aka driver ombokwenya musoro,
takazotanga kutaura akuda madirections tapinda mukati. Takasvika paguva ramhamha ndokuburuka tofamba
toendapo. Ndakaudza Prosper kuti ndaida kuti timbonamata, ndakachema nehupenyu hwangu kuna mhamha
pane kuti ndiudze Mwari, ndakaona kukosha kwemukadzi anonzi Amai. Ndakataura zvese zvandaida kuvaudza
kunyangwe shoko richiti :"Nokuti vakafa havana chavachaona kana kuziva asi kuti vazorora pakubata kwavo,
Muparidzi anobva ati nokuti hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana vuchenjeri pa sheori kwaunoenda. Asi ini
ndaiona kuti pese pandaiendera kuguva ramhamha ndaidzoka ndonzwa zviri nani. Prosper akazozviona pava
paya kuti uku hakuchisiri kunamata akabva afamba achiuya kwandiri akandibata ondigadzika pasi. "Liossa siya
mhamha vazorore mweya wavo unozorora sei kana uchitaura mashoko ese aya? Ndozviziva kuti uri panguva
yakaoma vanhu vaunorarama navo havana moyo yevanhu, vane moyo yemhondi. Manje ndine hurombo
neanonzi Munashe uyauya, ndaida kungomusiya but ndoda kumutamba nyowani. "Liossa ndiani akakuita izvi?
Wakapiswa nei? Akabvunza Prosper opfikura kuchema, ndakabva ndachemawo ndichitsanangura zvakaitika.
Akanditora ondigadzika pamakumbo ake"Liossa munhu akakuita izvi ndoda kumuita zvakadarika izvi, Jehovah
vachatsiva havo kuside kwako asi kwangu ndoita ndega, akataura Prosper achiita zvekupopota. Takaswera zuva
rese tiri mumakuva kana zvekuenda kwamtoko zvakashaya basa. Takazobudamo kwatoti sviii, Prosper akabva
anditi hande nekumba kwedu ndichikutorera mishonga nema tablets asi mangwana ndoda kuti wozobaiwa.
Prosper aka driver akananga nekumba kwavo, patakasvika muyard handina kuburuka asi iye woga. Ndakawona
prosper apedza nguva asati adzoka, apo nguva dzainge dzaenda zvino ndakavhura window remota ndoda kuedza
kutarisisa kana pane wandingaone ndikamuraira sezvo muyard iyi maive ne three ma main house handina
kuziva painge papinda Prosper. Ndakazonzwa izwi ra Munashe richipopota richiti handiendi ndipo pandakati
bter ndiende. Paiva nedistance kubva kwana Prosper kusvika kwedu asi ndakati, ndichafamba. Ndakatanga
kunzunzutira ndaka tevedza tara chete ndaiti ndikafamba ndomhanya ndainge ndongoti dai ndasvika ndazorora
kunyangwe musoro wairwadza wakabva wawedzera. Asi ndaingoti Jehovah ndiye mufudzi wangu, ndakati
ndosvika pabridge ndokuona mota, mandiri ndakangoti better ndihwande ndomabhinya ayo. Ndichingoti
musango kwede mota iya ichimirawo, ndakanzwa ndodeedzwa Liossa! Liossa sei uchindidaro, watizei?
Wafamba nei pese apo? Akapinda mumahuswa mandainge ndava ondisimudzamo. "Liossa ndichada
kumbokubvisa pamba penyu coz end up wakanganisika pfungwa. Maitiro ako anondishayisa rugare kunyangwe
ndisinewe, don't worry nemunhu wawaona kana kunzwa achitaura ziva kuti ini ndiri wako, uye chinouya
chinoona ini ndini Prosper wacho. Takapinda mumota toenda prosper akandisiira pemazuva ese, ndakafamba
ndopinda mumba. Ndakawaridza ndokurara handina muvengi wandakaona ndakararawo hope chaidzo, uye
ndainge ndabva kumbono empter zvaive mumoyo. Ndakazvikwiza mushonga yangu ndiri mumagumbeze,
Munashe akangoerekana apinda, mauyiro aaiita muroom yangu ainge avanhu vanowirirana. Akasviko bata
kabottle okatarisisa, akanhonga mapiritsizve ozvitarisisa achiti akanditarisa otarisa mishonga iya. Chaipa kuti
apikzvinhu zvese mumaoko ake achiita seai fananidza. End of chapter
16. Stay blessed. Contact 0775 626 204

You might also like