You are on page 1of 82

[11/05 07:28] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💔💘

Story by

*CEE*

and

*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*

+27641791014

+263 773774 829

CHAPTER....1

Kunonzi chese chinokuwira kuda kwaiye nyakutisika. Hakuna chinoitika chisina Mwari mukati. Kazhinji
kacho tinodzoserwa mumashure pakunamata nekuda kwematambudziko anenge atiwira tichiti "ah ko
sei zvaitirwa inini." Tinobva taona sekunge mwari vatirasa asi kwete. Dzimwe nguva tinopinda
mukurwadziwa kwakanyanya asi zvinoda kusiya zvese mumaoko avo ivo Mwari.

Zita rangu ndinoitwa Mavis. Ndakakurira zvangu muguta reHarare. Ndakangoti ndichangopedza kunyora
form 4 maresults ndokubusa wanike ndakatoburawo zvisvinu. Mai vangu vaiva vakandiudza kuti vaisava
nemari yekuti ndienderere mberi nechikoro vaive voda kusvitsawo vanin'ina vangu paform 4 pandaive
ndasvikawo. Ndakarwadziwa asi ndakazvigamuchira sezvo mai vaiva shirikadzi, waitongoona wega kuti
zveshuwa zvakaoma kunge dombo.

Rimwe zuva shamwari yangu Maidei akadarika nekumba kwedu achinditaurira nezvekune imwe
company yainzi KFC inoita zvekubika chikafu yainzi irikudiwa vanhu vebasa. Takangoendawo
kunoforerawo sevamwe tichingoti chero zvamuka ikoko tinongotambira. Takasvika tikabva tatoudzwa
kuti zveshuwa basa riripo.

"Eh vasikana basa riripo pano nderekutsvaira pamwe nekukorobha muno mushop saka in short ndinoti
tiri kuda macleaners, handizive kana muchikwanisa" vakadaro mukuru wepa KFC."Hongu tinokwanisa
sir" takapindurirana pamwe naMaidei kunge takanga taudzana kuti ngatichidaira. Zviya zvekuti
unosarudza basa unenge usati waiona nhamo yacho."zvakana kana muchikwanisa ndange ndisina
kukuudzai zita Rangu ini ndinoitwa vaChivi regai ndingokuudzai mashandiro atinoita pano."
Vakaenderera mberi nekutaura zvese zvataitarisirwa kuita uye nezvese zvairambidzwa. Takabva tatonzi
tichitotanga basa ipapo ipapo ndokubva tatopihwa madust coat aive akaita kudhindwa kuti KFC
kumusana.

Uku mai vangu vaisaziva kuti mwana atowana basa. Ko iniwo wacho ndaigovataurira nepai kana foni
chaiyo ndakanga ndisina. Ndaitozviziva kuti vachanetseka nekunditsvaga asi ka papasina zvandaikwanisa
kuita. Takaswera tichishanda zvedu tichikorobha zvedu naMaidei. Kwadoka takabva tananga umwe
neumwe kumba kwavo. Taifamba hedu netsoka paisamboda kukwira kombi nekuti paive pedyo.
Ndakasvikawo kumba ndokupira mai vangu zvainge zvaitika. Asi vakambotanga kudemba demba. "Iiii
inga waitirwa nyasha mwanangu asi iii zvakaoma wakutotanga kushanda uchiri mwana mudiki kudai dai
baba vako vari vapenyu ndofunga vaidai vachindibatsirawo waenderera mberi nechikoro shuwa, asi
mwari vachatinzwawo nerimwe remazuva"

"Ah chiregai kudaro mhamha, ini pane shungu dzangu kuenderera mberi nechikoro. Saka ndichatiwo
kamari kacho kakati unganei ndoita hangu deplomer rangu remarketing kuitira ndigoshandawo basa riri
nani ndigokuchengetai sekuchechengeta kwamakandiita kubva ndichi mudiki" ndakapindura
ndichinyemwerera zvangu ndichiitira kuti mai vangu varerukirwe. Ndaitoona kuti waiva mutoro
wakarema kukudza vana uri shirikadzi. Asi zvakaoma kudaro vaimira mira semurume.

Ava mangwana ndakaenda ndichiti ndinotora mumwe wangu Maidei kuti tichienda zvedu kubasa.
Ndakashama ndichinzwa Maidei achiti aisakwanisa kuenda kubasa"ko asi warwara here" ndakanvunza
zvangu ndichida kunzwisisa. "Ah kana handisi kurwara shamwari basa riya rinorwadza sha, ini
handingamborikwanisa ini. Izvezvi makumbo angu haasi kugona iii ngazvigare hazvo Mavy" maidei
akadaira achiratidza kuti zvechokwadi aiva asingachatodi kuenda kubasa.

Ndakabva ndati kana nhazvo handina kuzoda kubvunza zvakawanda. Ko kwatinobva kwakasiyana siyana
ka uye mawaniro anosiyana. Nhamo yako munhu ndoinokusunda pamwe nekukusimbisa. Ichokwadi
basa iri rairwadsa asi ini ndakati ndoshingirira ndiripo chete. Ndaivawo nechishuvo chekuzoenderera
mberi nechikoro pamwe nekuzobatsirawo mai vangu kuchengeta Panashe na Patie vonova vanin'ina
vangu. Kubva zvakafa baba vedu mai vangu vakanga vasina kuzoroorwa zvakare.

Ndakasvika kubasa ndokupira vekubasa zvaiva zvataurwa naMaidei kuti aiva asisakwanise kuuya
kubasa. Harida kudoka nzvimbo yake yaiva yatoiswa umwe munhu. Ndakatoona kuti mabasa ari
kutonetsa kuriwana une watoita mhanza chaiyo. Ndakazvivimbisa mumoyo mangu kuti
ndaizochengetedza basa rangu nepese pandaigona napo.
Pakazokwana masvondo maviri haaa ndaive ndatojaira basa rangu. Ndaive ndakuita kumhanya nayo
mop zvekuti kana supervisor vangu vairatidza kufara nekushanda kwandaiita.

Mwedzi uchipera ndakaverengerwawo kamari kangu ndikafara zvisingaite. Ndakabva ndapinda mutown
ndokbononhonga nhonga munongozivawo pay yekutanga unenge uine zvakawanda mupfungwa zvekuti
iyo mari ndoingatoitewo ishoma. Ndakazvitemgera kafoni kangu kaiendawo pawhatsapp pamwe
netuhembewo twevanim'ina vangu. Mai vangu ndakavatengera riri gumbeze raiva rakanaka chose.

Ndichisvika kumba ndakabva ndavatambidza vakaratidza kufara Chose. Vakaombera ndokutanga


kutaura vachidaiso"waita hako Mavy dangwe mwari vakuitire nyasha. Asika chirega kuramba uchipedza
mari rangarira kuti iwe wakati unoda kupfuurira mberi nechikoro ini mai vako ndakakundikana kuti
ndikuendese mberi ende ndinonzwa kurwadziwa nazvo." Ndakabva ndakurumidza kuvagamha" aiwa
mhamha musatya zvenyu iyi ipay yangu yekutangawo saka ndangoti ndingokuitirai zvidiki diki handiti
zvikuru zviri munzira mhamha." Ndaive ndonyemwerera hangu ndakatarisa mai vangu. Vakauchira
ndokurongedza zvavo gumbeze ravo. Vanin'ina vangu vakafarawo netwavo twandaive
ndavanhongerawo.

Mangwana acho ndaamunzira kuenda kubasa ndakasangana neumwe mukomana airatidza kuti
aiendawo nechakwandainda. Akandikwazisa zvake achinyemwerera" mamuka sei sister kurisei kuKFC"
ndakamutarisa hana yangu ndokubva yarova, mukomana uyu aiva akanaka pachiso aiva mutsvuku zviri
pakati nepati. Aive akareba zviri pakati nepakati." Mamuka sei zvenyu " ndakada kumupa kumuremedza
sezvo ndaisaziva nezvake. "Ah wabva wanditi imi, zita rangu ndinonzi Themba. Ndinogarukuona zvangu
uchienda kubasa ndinoshandira hangu mucomplex maunoshandira asi ini ndobata zvangu ndiri mubank
reCabs zvino. Ndingafara fani ndikazivawo zita rako." "Ndinoitwa Mavis saka nekunetsa kukuita mari uku
imi vemumabank hamunyanyonetseka kaimi" ndini uyo ndaidara zvangu ndakatarisa Themba uya.

"Ehe haaa tisu tinototanga kuwana ko imiwo ndofunga manzwa nayo nyama kwenyu kuKFC uku kkkkk"
akabva aenderera mberi nekutaura nyaya zvake Themba.

"Ko ndinokumbirawo ka number yako Mavy" akadaro Themba akaita kunditarisa mumaziso." Ah inini
number dzangu handimbodzizive nemusoro" iyi yaive nzira yekunyima munhu number zvangu. Iyewo
akato "ende foni yako ndokumbirawo hangu kuona zvayakaita." Ndakabva ndamutambidza zvangu iye
ndokutanga kuibaya baya. Ini handina kuziva kuti aive atozvisendera call me back pafoni yake
achishandisa foni yangu iya zvake.
Takazoparadzana umwe neumwe akunanga kubasa kwake. Ndava palunch masikati ndakabva ndaita
foni yangu on sezvo tairambidzwa mafoni nguva yebasa. ichingoita on ndakaona ichipinda whatsapp
message yaiti 'hesi Mavy hope hautsamwe ndatora ndega number yako uve nezuva rakanaka'.

End of part 1

Watch out for part 2

Love you all

[11/05 07:28] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💘💔

Story by

*CEE*

and

*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*

+27641791014

+26377774829

CHAPTER....2

"AH nhai Themba zvingatsamwisa izvozvo." Ndakazongofunga hangu ndakatarisa katsamba pawhats
app. Ndakazosara ndongozvitongesa hangu kuti asi chii nhai mukomana uyu kungondiona ka1 nekutoba
number yangu. Ah zvisinei regai tione kuchawira tsvimbo nedoo. Ndakapedza lunch ndichitaura hangu
naMaidei pawhatsapp.

Ndakazodzokera tikashanda kusvika nguva yekuenda kumba yakwana, semunhu aivawo mutsva
paWhats app ndaingoti ndikangowana mukana ndotoenda pawhats app. Ndakafamba kusvika kumba
ndingori paapp zvangu.vanun'una vangu vakandi mhanyira vakanga votoziva kuti sisi pavanouya pese
vanouya nezvekudya. Ehe ka hanty mbudzi inofurira payakasungirirwa here. Saka ndaifanira kutoona
kuti ndauya ne KFC every day.

Ndakatanga kubika hangu chikafu chemanheru apo mhamha vanga vasati vabva kumusika. Ndakapedza
kubika ndikatanga kutaura pawhats app ndakazoona ah Nhai asi Themba anopenga kai kuisa pic rangu
paprofile pake. Ndakabva ndatomusendera massage ndichimuti bvisa pic rangu ndinokumbirawo hangu.
Akabva abvisa ipapo haana kuita nharo. Ndakazonobatsira Mhamha kubva kumusika ndakatakura
zvimwe zvinhu.

Takatanga kuverenga hangu nguva yandakasvika pamba nekuti ndaishuwira kuzoenderera mberi
nechikoro. Ndakazongo batwa hangu nehope ndisina kuziva kuti ndavata sei.

Ndakamuka mangwanani ndikasuka ndikageza ndikatora foni yangu ndokunanga kubasa, ndakasiya
Mhamha nevafana vangu vakavata havo nekuti ini ndaikasira kubuda kuitira kubasa ndaidiwa kuseni
seni. Ndakanga ndofamba ndega hangu nekuti uyu Maidei akanga aramba basa. Ndakafambisa
ndichisvika kubasa na8 ndakanga ndatopedza kutsvaira nekuto mopa hangu. Ndakabva ndaenda Kune
imwe room kwataisukira midziyo yataishandisa nemamop acho. Ndichidzoka ndakadanwa nachipo akati
"wanga uchitsvakwa ne mumwe mukomana anoshanda pacabs bank apa". Akadaro Chipo. "Horaiti chipo
waita hako." Ndakatanga kufunga kuti asi Themba arikumbodei asi haagoni kitamba EGA kai.
Ndakazvibvunza ndichishaya mhinduro. Ndakatora mop yangu ndikatanga kuita basa rangu hangu.

Nenguva isipi ndakangonzwa."Sorry hako sorry Mavis". Ndakasimudza musoro ndichida kuona kuti
ndiani andiziva "Ah ndimi henyu maswera sei mukoma". Akaramba akanditarisa mumaziso chaimo
akanditi ndee. Ndakanzwa ndichipera simba zvangu ndikati mumoyo nhasi zvangu zvandichadonha. "Asi
unonditora semunhu anoda rukudzo chaizvo ndinonzi Themba". Akadaro akangonditarisa. Ok hesi
Themba maswera sei nhasi. Akandiseka hake mwana wevanhu ayewa kuchena chete. Anga akabata
panorwadza chaiko wena. Kuita jendurumeni kkkkk. "Heyi ngatimboshandai tozotaura nyaya takuenda
kumba Mavis"akadaro mukuru wepabasa pangu ndakazongoti" nhasi zvangu uchandidzingisa basa iwe."
Akadaira achienda hake Themba akati "ah harina basa, basa rako iri". Ndakasara ndakakatyamadzika
zvekuti ndakangoti asi ane paakatsika kani mwana uyu ko ndikadzingwa basa randakawana ndasvuuka
pasi petsoka nekuritsvaga. Ndakangoti Mwari pindirai ndirege kuwana tsaona pabasa rangu.

Tapedza basa ndakabuda hangu ndakunanga kumba. Ko whatsapp yaiva itsva munhare yangu.
Ndaitofamba kunosvika kumba ndiripo ipapa paapp pacho.,,,,,piiiii piiiiiiiii. Ah zvandichatsikwa hangu ko
road hamuione kai. Ndakazvifunga apo mota yaingoramba ichiuya kwanaiva ndiri. Hana yangu
yakatanga kukwenya mapapu angu nekurova. ndikamerera wena kuti iyo mota ine fafitera dema rakadai
ndeyani uye akuda kuita sei akunditevera kuti zvidiko.
Ndakamira padivi ndakaona hwindo richdziswa ndakanzwa inzwi richi. Mavie pinda tiende kumba. Ah ko
ndiani iyeye ndakadongorera ndione hezvo zvaari Themba. Ah usazvinetsa hako ndatosvika ini sorry. "Ah
kana pinda kani usandinyadzisa hako ndokumbirawo ungogarawo mumota mangu ndonokusiya kumba.
Ah zvaazvidemba kunge achanamata kudai. Ndakapinda akasimudza mota iiiii mumota mainhuwirira
imomo. Takafamba pasina kutaura asi ndaingoona ziso mumakumbo angu kuti munhu arikichiva zvidya
zvangu, ko ndanga ndakapfeka chidimbu cheskirt hangu nekupisa kwakwaiita zvaitoenderana. mari
yandakanga ndatambira paya pakapera mwedzi ndakangonhongawo hembe shoma dzangu saka ndanga
ndakugara ndiri munhuwo panevamwe. Themba akazongoti,,,,, ndokuona mangwa babe. Ndichibuda
hangu mumota yake asi mumoyo mangu ndakangoti haisi yake nekuti musi wandatanga kumuona
aifamba netsoka.

Ndichingosvika mumba ndakamhanyirwa nevafana vang. Asi mhamha vachiri kumusika here.
Ndakabvunza twuvafana twangu. Ndakabva ti regai ndiende kumusika ndimotora muriwo wemanheru.

Ndichingobuda pagadhe ndakaona Themba ari pagedhe ah nhai vaduwee. Kwakanaka here. Anga akato
mira panze Themba.,,,, ukudei nhaiwe this time apa pawakamira pacho pagedhe pedu urikuda
kunditukisa namhamha ka.,,,, ndakaita benzi Themba anga akangotarisa kuside, akapfeka kopisi chena.
Ndakati nechemumoyo rega ndiende hangu ndichingoti fambe ndakanzwa kuti akutevera. Ndakada
kufambisa.,," Mavis ndokumbirawo umire ipapo". Ndakamira paya. "Mavie ndichauya kuzokuudza kuti
ndinokuda". Ah Nhai Thmb.........a." Shiiiii nyarara ndichauya kuzokuidza kuti ndinokuda". Akabva aenda
ndakapererwa wena. Ndikati ah kwakanaka here. Chii atotaura here achauya ahhh.

End of chapter 2

Watchout for ... Next

*your comments pliz*

Love you all

[11/05 07:28] MANGWENYA: https://chat.whatsapp.com/0OKIVLF0KAOJMrIw9wBBOT

*WAKANDIGONA WENA*💘💔
Story by

*CEE*

and

*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*

+27641791014

+26377774829

CHAPTER....3

Ndakaenderera mberi nerwendo rwangu rwekumusika uku pfungwa dzaipishana nenyaya yaThemba.
"Anombonyodei ko kwandiri haisi miyedzo here iyoyi ah amheno rega ndivhure meso ndinyatsoona
paamire mujaya uyu" ndakatozongoerekana ndato pamusika. Ndakatozoita kakuvhunduka ndanzwa izwi
ramhamha richiti" hakuna muriwo ka, nhasi ugoona ndasunga wese kwakukanganwa kusiya wekubika"
ndofunga kana ivo vakazviona kuti pfungwa dzangu dzaisava pedyo asi havana havo kuda kubvunza.

Vakabva vangoti rega tichingorongedza tibva tangoenda kumba zuva ratodoka. Takasvika kumba ini
ndokupedzisa kubika mhamha ndokunanga kunogeza. Ndapedza zvose ndakabva ndati regai ndinorara
zvangu. Asika kwaisava kunorara ndaive ndakutoda zvangu kutoenda pawhatsapp munongozivawo kana
uchangotanga inonakidza sei. Ndichingovhura app yangu ndakaona paine message from Themba yaive
yakati "hey babe how are you doing pandati ndichauya kuzokuudza kuti ndokuda ndanga
ndichitorevesa."ndisati ndapindura ndakabva ndaona 'Themba is typing ' ndikabva ndaziva kuti shasha
irikutumira message ndakabva ndavhara chat yake ndokuvhura yaMaidei.

NaMaidei taiva tsika nditsikewo. Hwakukombe nachirongo chaihwo. Saka chese chaitika ndaitoti
ndimutaurire. Ndisati ndaane foni ndaitomirira kuti tionani apa chiururu chine chazvimba nemazinyaya.
Ndakabva ndasendera sahwira wangu message iye ndokupindurawo nechimbi chimbi kureva aitova
online. "Maidei sha pana bharanzi andipinza busy handizive ndomuita sei" "wekupi zvee ah send pic
yake ka ndimbomuverta anodaro aine face inenge yegudo kuita homo sapien chaiye kkkkk" akadaro
Maidei ini wo andina kunonoka ndakabva ndongomutumira pic yaThemba.

"Hey hey munhu akanaka mhani uyu saka hanziiko ko anoshanda here"ndiMaidei uyo akanga
ongoimwaya mibvunzo kunge mupurisa."ah anonzi Themba kana kwaanogara handikuzive ini but
toshandira pacomplex imwe chete anoshanda kuCABS." Ndichiri kutaura naMaidei fon yangu yakabva
yarira. Akanga ari Themba uya."hallo hesi Mavie ndaona hausi kupindura mamessage angu ndikafunga
kuti pamwe warara" voice rake ndaive ndisati ndamborinzwa pafon. Raivaraidza kuteerera zvekuti
ndakatomboita kanguva ndisati ndamupindura ndichimborizeya zvangu" Hello Mavie are you there"
akaenderera mberi, iniwo ndakabva ndakasika kupindura" hallo zvirisei foni yangu yanga iine munin'ina
wangu sorry zvako." Ndakamunyepera kuti zvityise." Okay saka chipindura message dzangu sha.

Ndakabva ndaenda kumamessage aye ndokubva ndamupindura zvangu iyewo ndokutanga


kuchinyatsotaura neni"so mangwana isaturday unoenda futi kubasa here." "Hongu ndinoenda asi
ndinopedza masikati." "Wow good saka ndokumbirawo kukuona kana wapedza basa."
Ndakangopindurawo zvangu kuti zvinoita ndichibva ndatomuti ndaakurara kutamba hakubvaruki
totamba mangwana."okay orara mushe Mavie asi please undirotewo handiti ka" ndiThemba aiva
otumira message yake yekupedzisira.

Ndichimuka mangwana ndakangotamba yemazuva ese ndini uyo muroad ndakananga kwandaibata
ndiri. Nguva dzakafambawo shuwa zvekuti kana ini ndakatoshaya dzaimhanyirei. Ndichingobuda mubasa
ndakatowana Themba akamira panze. Ndakamukwazisa zvangu ndokubva ndatarisa kuside zvangu.
"urisey babe ndati rega ndiite zvekukumirira pano ndisazoita iya yekudeedzera kumaraini kwako
yandakatamba nezuro come lets go I want to take you out." Ini ndakangoti handei ndokubva tanopinda
mumota. Ko out yacho ndaigoizivirepi ini zvangu Mavie. Mota yakarohwa ndobva tasvika kwataienda.
Kwaive kune rimwe garden zita handina kuzoona kuti rakanzii sezvo kaiva kekutanga kuendako. Kwaiva
kwakanaka kuine loan yakanyatsosvibira, maive zvekare makashongedzwa nevaruva emhando
nemhando. Ndakatoita sekunge hameno kunze kwandaenda izvi ndiri muZimbabwe zvangu.

Akasiya mota yake mu car park isu ndokunanaidzana tuchipinda mikati mukati chaimo. Takabva tawana
pekugara ndokubva tagara zvedu. Padhuze nepataive tagara paive nekafish pond kaive nehove
dzakasiyana siyana dzimwe dzaiva dzepink dzimwe dzered. Ndakakatyamadzwa netyp yehove idzi ko isu
taive tijaira kuona mazitye ka nemabream ndakabva ndatoona kuto ahh zvatosiyana.

"Mavie sha ini kutaura chokwadi ndakafarira zvandakaona. Ndoziva hangu kuti its too early but I can not
hide it anymore. Ndinokuda sha please just give me a chance ndikuratidze zviri pamoyo pangu."
Akadaro Themba akaita kunditarisa mumaziso chaimo. Ndakabva ndashaya zvekuita ndakaita
sendichamedzwa nepasi. Ndakashaya kana kakwenzi padhuze kekuti dai kaivepo ndaikatyora tyora
kusvik kapera kese. Ndakashaya pekubata. Ndakashama muromo ndichida kuti ndipindure asi mazwi
akaramba kubuda. Ndakazongosara ndakashama muromo kuita sekamba yabatwa neugugu.
Munongozivawo nyaya yacho kana wamutanga musikana.
Iyewo pachake akaona kuti aive anyatsondiisa pakaoma. Akazongondirerutsira nekukuti " ndinogona
kukupa hangu nguva yekufunga. Ini hangu ndofarira nzvimbo dzakanyarara ndosaka ndauya kuno
hangu." Nyaya dzakazotsva zvadzo asi zhinji dzacho dzaiva dzekuda kuzivana.

Ndakatozoona kuti nguva dzafamba semunhu aida kunobika kumba ndakabva ndaudza Themba kuti
tichienda zvedu. Iyewo haana kupikisa akabva angobvuma. Tasvika pagate ndakuti ndichivhura door
ndibude ndakabva ndaona rirk locked "Ndokumbirawo kuvhurirwa Themba." Ndakadaro uku ruoko
ruchizama kuvhura vhura. "Ah uchida zveshuwa kutongoenda usina kana kundipawo hug here nhai
Mavie, ndipe hug ndikuvhurire." Akadaro achinyemwerera akaita kunditarisa mumaziso. Ndakabva
ndatarisa pasi nyadzi dzakanga dzandikunda. Akazondivhurira atoona kuti hug yacho yaisatobuda
zvekumhanya. Ndakabva ndadzika ndokunanga kumba apo mumoyo ndaingoti dai ndikawana mhamha
vasati vauya. Sezvineiwo ndakasvika ndakawana vasati vasvika ndokubva ndatanga zvangu kubika.

Ndapakati zvangu ndakanzwa fon yangu kurira ndakatarisa wanikwe imessage yapinda kubva kuna
Themba." Thanks for the time babe I really enjoyed my day." Ndakabva ndangosekerera handina hangu
kupindura ndokuenderera nemapoto angu zvangu.

Ava mangwana sezvo yaiva Sunday takamuka tikagadzirira ndokunanga kuchurch tese namhamha
nevanin'ina vangu. Sunday mhamha vaisaenda kumusika vaiikoshesa nekuti taienda kuchurch.
Ndamuchurch ndakaona message yaThemba yapinda 'good morning sweetheart hope you are okay?"
Ndakapindura ndichimuidza kuti ndiri muchurch ndokubva ndatodzima foni yangu kwakutanga kuita
zvemukereke. 'Gore rino nderako iwewe gore rino zvako zvinoita, ramba kuve wasatani iwe naJeso
tinokunda chete.' Mashoko amufundisi vachiuya pamberi pekereke kuti vachitanga kushumira.
Vakakabva vapa musoro wenyaya yavo uyo waiti 'Tiza chivi icho' rakarohwa shoko tikaitirwa zvakanaka.

Mazuva akafamba zvavo iniwo semunhu aida kuenderera mberi ndakabva ndanoregister ne Board re
IMM ndokutanga kuita diploma rangu remarketing. Ndaiti ndabva kubasa manheru ndobva ndaenda
kuma lesson angu mutown. Themba aizouya onditora ndapedza ondisiya kumba ipapo aisakanganisa
hake.

Mumoyo mangu ndaive ndakunzwa kunyatsoda Themba. Ndaiti pese pandomuona ndainzwa hana
yangu ichiroverera. Iyewo pachake airatodza kuva munhu anorevesa pane zvose zvaanotaura. Ndaingoti
mwari kuda kwenyu ngakuitwe. Mangu mumoyo ndaivavarira kupedza diploma rangu kuti
ndigotsvagawo basa ririnani.Themba akazoronga kuti tisangozivane pachedu chete asi kuti nehama
dzake dzizivewo kuti kunewo munhu Anonzi Mavie. Akazongonditi achanditaurira zuva raitaizofanira
kuenda kuhama dzake.

End of part 3

Your comments please

We love you all

[11/05 07:28] MANGWENYA: https://chat.whatsapp.com/0OKIVLF0KAOJMrIw9wBBOT *WAKANDIGONA


WENA*💘💔

Story by

*CEE*

and

*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*

+27641791014

+26377774829

CHAPTER....4

Ko ndakambozviziva here kuti nyaya yatokura iyi. Ndaingoti zvee gudo ringashata harp asi usiku
haridyi.ko iye Themba nemasvikiro iwawo ndaimbofungira kuti angafunga kutoita ramangwana rakakura
kunge gomo kudaro. Ndaingoti ayewa kubvarurama mbatya pamutserendende semakudo kana zvanana.
Asi ah nyaya ndakazoiona kuti yakanga yatokwira mitunhu zvachose kubamva ipapo Themba paakataura
zvekuona hama dzake. Ndakazomuti ko wadirei kutanga kutsvaka Mwari kure kure uchimusiya mumba
mawabuda. Ko mai vangu chaivo vari pano pamusika apa wakambovaona here. Ko wadirei kumhanyira
zvemberi secalenda nhai Themba. " Ah Mavie dear ndanga ndichiti mai vako vanotyisa kuti tivaone asi
kana wadaro ka ndafara chose". Akadaro Themba achiratidza kuvhunduka mashoko andakanga
ndamugashidza. nguva isipi ndakazomuti ngatifambe nemastages kusvikatasvika kwaunoda hanty.
Akazongogutsura misoro hake asi ipapo ndakazviona kuti shasha yanga isingazivi kuti kutaura ndiko
kubasa.

Yakava tsika yangu yekuenda kubasa masikati ndoenda manheru kuchikoro hangu. Ndakaita nguva
yakati rebei ndichienda hangu kuchikoro kwangu ko mota taiva nayo ka yaThemba ka ndiye aiuya
achinditora every day kuchikoro. Ndakazobatwa neimwe pfungwa ndakarara hangu nditori busy kutaura
naThemba ndakangoti ah iyeyu mukomana uyu anoshanda mubhanga kuti haana mumwe musikana
waanotsvetsana naye ummmm handivimbi vanhu vanezvinhu zvavo saThemba shuwa nekuti ziso
revasikana vazhinji riri paari kutaura kuno. Asi ah Mwari kuda kwenyu ngakuitwe pasi pano sekudenga.
Ndakdazosenda text pa Whats app yakati kuuya iyi. Ndikati good nyt dady. Ndakaoma Themba hazvina
kumuyorera maminitsi maviri kuti adzose katsamba kwandiri akati. "Mumoyo mangu mune kanzvimbo
sha kanokwana munhu mumwe chete anova iwe. Wakapinda mukanzvimbo ikako saka ndiwe urimo.
Hapana achakwana futi nekuti ah hamutombodiwi kana akamira hamusi mubhazi. Gud nyt my life my
love my lolipop." Kkkkkkk ah Themba ka ukwane iwe uite hunhu unoda kudiuraya nemasasi ako anenga
amatavire kudaro ah zvakakuomera. Ndichingotumira iyi ndakabva ndavata hangu ko mangwana kwaiva
kubasa ka. Ndakamukira kubata jongwe muromo ndikabata basa rangu rese repamba ndikapedza ko mai
vangu ndaisada kuvapa basa rakanyanya, uye vanun'una vangu zvanga zvichiri zvanana chaizvo.

Ndiri muroad kuenda kubasa ndakanzwa kuti kumashure kwangu Kune munhu ari kumhanya
ndakacheuka atosvika wena." Ah hesi swtie wakutoenda kubasa". Ah nei Themba wamukawo sei hako
ko kudikitira kudai ukuendepi mangwanani akadai."ah ndikumhanya hangu ndozodzoka kumba ndogeza
ndozouya kubasa". Ah hoo zvakanaka wangu. " so ngatimhanye tese kusvika pabasa pako ka
ndodarikukira hangu."..., akadaro akandibata ruoko.... Ah sha ndosvika ndaneta ini ayewa kana
ngatifambe tozomhanya mugovera unouya uchinditora kumba. Ndakadaro takutisvika pabasa pangu.
"Ok babe wangu ooh tarisa kuno." Ah ukuda kundipa chii. "Ooh tarisa uone". Ndichingomitarisa
ndakazongonzwa pamuromo chaipo, muromo wake wanga watosvika ndakanyara iye anga
akutomhanya hake hanzi bye mukadzi wangu. Ah asi Themba kusanyara kwake nepane vanhu here
amana. Ah ndazosvika mubasa vakutisekwa nana Tino uya akanga atsiva nzvimbo yakanga yatizva
naMaidei. Vakutoti "asi wanjumiwa usingadi here taona wasticker ka chii". Ah ndakasekwa vamwe
ndovaiti inonaka here tsvodi ah ni zvaThemba zvaikunda ngoma kurira. Ndakazofara hangu kuti mukuru
webasa anga asina kuzviona hake.

Takapedza basa kuma 4. Samazuva ese ndikaenda hangu kuchikoro kwangu. Ndichipedza kuma10
manhure Themba akanga tovapo panze.ndichibuda padoor ndakaona akamira nemumwe musikana
anonzi Rutendo, vaive vakamira pamota paThemba so ndakaonekwa naRutendo ndichibuda
ndakangoona Rutendo oenda hake. Nguva iyoyo ndakazvipa mibvunzo yakawandisa ndakati asi Themba
anyenga Rutendo kana kuti Rue ndiye angoendawo pana Themba. Nekuti vasikana kusada kuona zvinhu
izvozvi chaonekwa ndiyo *x5 B.M.W* iyoyi manje ummm ukaona vakada kutamba nemukomana wangu
ndopavachaona kuti ndinokwira mumubanana ini maiweee. Zvese izvi zvakazara mudende remusoro
wangu. Zvakandipa hasha ndichisvika pamota ndakangopinda mumota ndisina kumhorosa Themba. Iko
kusanyara wo kwangu kutsamwira munhi asi ndichipinda mumota yake zvakaoma.

*Themba*,,,, zvauri kufunga hazvisi hako. Musikana uyu angouua pandiri ndanga ndamudana ndichitoda
kubvunza kuti wanonoka kubuda chasakisa chii. Ndonyaya iripo sha handimbokunyeperi uri wangu
Mavie, chengeta zvandakareva chete. Babe ndidairewo. Nhai mai Courtney taura nadady kani. Ummmm
haunyari hiiii mukadzi anotsamwira dady hiiiii Maphosa hiiii my love my babe my chocolate. Kkkkkkk ah
nhai unofunga zvonakidza here Themba handidi newe ink saka ndikakuona wakamira neumwe
ndorwadziwa ka nhai ah unobhowa apa. Uda ndiite sei nha............ummm sadar...........

*end of chapter 4*

*comments and views*

*God bless you*

*Amen*

[11/05 07:28] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💘💔

Story by

*CEE*

and

*B.S.BRAGGNAVE. SIKAZ*

+27641791014

+26377774829

CHAPTER....5

Kunyengerara aikugona hake Themba ndakatongoti ngaisiye matambo. Mota ndokurohwa zvayo
takananga kumba. Taifamba ndakangonyara ndichingodaira zvabvunzwa. Ko kuti zvetyisa ka
unotomboisa muromo mumhuno so. Kakutonga ka kuti ehe ndini ende ungandidii. Akazondisiya kumba
iye ndokunanga kwake.

Yanguva yekurara akatexta ini andina kupindura. Kahunhu kedu ka vasikana kekuda kungowachisa
munhu chete apa une uchitokuvarira mukati. Ndamugumbeze ndakatanga kuzeya nyaya yayataurwa
naThemba yekunoona hama dzake. Ndaive ndangomuti toita step by step but ndaisatoziva kuti
zvinofambiswa sei, ko kuziva mbuya huudzwa ka. Ndakabva ndati ko zvino ndobvunza ani. Kuna
mhamha kwaitova kumakata nekuti vaiva nyakutumbura paitoda mbuya kana tete.

Zvino tete inini ndakanga ndisina. Baba vangu vaive vakangoberekwa riri zai regondo zvekare vabereki
vavo vose vaive vakatofuga ravo vega kare baba vangu vachiri mujaya. Taitongovaonera pamapikicha
isu. Ukuwo kuside kwamhamha vangu vaisawiriranawo nehama dzavo. Hama dzavo dzaititora
sevarombo saka hapana kana wataiwadzana naye. Vabereki vavo vaive vaigara kuMozambique. Zvino
ndaizoenda here kuMoza kuti ndinobvunza gogo kuti zvinofambiswa sei. Ah papakarema apa.

Ndakazongobiwa nehope ndokurara ndisina chandaiva ndafunga kuti ndaizoita. Chifume mangwana
acho ndakaenda zvangu kubasa ndokunoshanda semazuva ese. Tavapalunch ndakabva ndanogara
nevamwe vainzi Mai Chenge. Takatanga kukukura zvedu dzeupenyu ini ndokuti ah rega ndibvunze mai
Chenge nyaya yaindinetsa nezuro iya. "Nhai mai Chenge kana uchidanana nemunhu munozvifambisa sei
panyaya dzema introductions?" Ndakaukanda zvangu mubvunzo wangu. "Yeeeee zvaakuita ka, wakaona
maakufunga izvi mamurudo askana" vakadaro zvavo vachisekerera kuratidza kufarira hameno kwaiva
kufara kwechokwadi here ko zino irema kairi.

"Aewa hazvinetse iwewe ndiwe unofana kutanga waziva hama dzeumwe wako, pada tete kana mbuya
kana anababamukuru zvichienda nekuti kunaani kufamily kwacho. Zvachizodaro wava nechokwadi kuti
hakuna tumwe tukiti tunozikanwa ikoko and waona kuti anoda kuroora uchizomuratodzawo hama
dzako. Nekuti ka makatangira kwenyu munozobatiswa dombo mai nhiya woye pamwe ane asiri serious
saka hauzonyare akakusiya nekuti pane pasina anomuziva kwenyu. Ndomaitoro andinoziva ini hangu
handizoviwo kuti unozvionawo sei?" Ndakanyatsogutsikana nezvandaive ndaudzwa izvi,
ndakanyatsozvizeya ndikaonawo zviine chirevo. Ndavatenda chose nedzidziso yavaive vandipa iyi.

Takazosara topedza basa ndakuti dai ndachingoona chimwe changu ndachipakurirawo mashoko andadai
kuudzwa namai Chenge aya. Musi uyu taive tasenderwa message nalecture wedu kuti aisauya kulesson
saka ndaisaenda kuchikoro. Themba ndaive ndatomuudza kudhara saka ndaitoziva kuti ndowana
akandimirira panze ipapo aisakanganisa zvake. Ndichingobuda ndakakanda ziso ku car park ndikaona
mota yake iripo nechemumoyo ndikangoti zvakadzora izvi. Ndakasvikopinda ndokumukwazisa
ndichisekerera zvangu. "Hesi babe wangu, yaserera here bhibho yaive yakazvimba nezuro iyi." Akadaro
achinditsvoda padama. "Waakumutsa zvanezuro ka ukwane Themba." Aewa sorry kani ko kwakurisei
kubasa?" Akabvunza zvake kwakuda kuvhara vhara " Kwanga kuribho sha ndanga ndatokusuwa ini
kutoita sendisina kumbokuona nezuro nhai." Achinzwa mashoko aya akabva aratidza kufara hake
mwanakomana wevanhu. Iniwo ndakabva ndati rega ndichirudunura yekwamai Chenge iya. " Themba,
panyaya yako iya concerning kunoona hama dzako ndazobvunzawo vamwe vakandiudza maitirwo
azvinoitwa." Ndakabva ndamutsanangurirawo zvese zvandaive ndaudzwa iye akaratidza kugutsikanawo
nazvo.

"Unoona babe ini ndosaka ndakakuudza kuti tiende nekuti ndokuzivawo kwangu, manje ndakati pamwe
chivanhu chinosiyana ndosaka ndakazongoteerera zvawakataura paye. Asi ini hangu ndoda ubatisise
mashoko angu aya ndinokuda ende handikusiye. Uchatove mai vevana vangu iwe handiti takawirirana
kuti first born yedu toiti Courtney izvo hazvisi kuzochinja. Ndinopinduka kurara kwete kutaura." Akadaro
Themba achiratidza kurevesa kubva pakati pemoyo wake.

Akazobuditsa machocolates aive andiigira ndokundipa ndakabva ndatambira ndokutanga kumatsebeda


zvangu" ko zvaunotonyima nhaiwe mwana iwe kana kumbondipawo ende hauite." Ndakabva ndanyara
kwakuvhara kumeso neruoko rwangu kuita sechana chaicho" ah ini ndangoti haudye ko hanty plus
waigira inini here.? " iiii musazodaro amai zvino munondinyima chocolate ko kuzotiii...." "kkkkk chiiko
iwe tibvire apa chii ooh chocolate yacho" ndakadaro ndichimutambidza zvangu iye ndokunditi "ah babe
maoko angu akasviba aya dai waita kukanda mukanwa mangu" ndakumudyisa ndokuramba tichitaura
hedu nyaya. Ko kana muri murudo hadziperi ka nyaya imi woyee muchaionawo nhamo yacho kana mava
murudo.kkkkkkkkkk.

Takatozoona kuti nguva dzaive dzatofamba ko kana muchisasana henyu mungazvione here kuti
dzafamba. "Iii ngatichienda Sha hona paane time ndoda kunogamha vafana basa kumba wena"
ndakadaro uku ndichitarisa nguva panhare mbozha yangu. "Its fine babe wangu, saka inini I will arange
tozonoona tete vangu panopera mwedzi handiti ka. Nekuti haaa pauri ndatoperera ini. Ndokuda ndese
mhani mwana iwe haaa wanditenderedza brain sha I think Shinsoman akaimbira inini mhani kasong
kake kaya wakaziva here?" Anga atanga masasi ake aye Themba. "Ah iwe andiizive ini ndeipi iyoyo" 'anzi
ndakupenga anzi ndakupenga wanditenderedza brain' ndaive ndoimbirwa zvangu nechimwe changu.
Ndakaoma nekuseka zvangu. Themba aivaraidza kuswera naye waisambobhowekana kana uinaye.

Foni yangu yakabva yarira "hello Mavie urikupi mhamha vako vangodonha pamusika vari flat izvezvi.
Ka......." handina kuziva munhu wandakataura naye ndisati ndapindura yakabva yakata foni ndofunga
yaive yapera mari. "Ko chii hanzii, ndiani afona taurawo neni Mavie"aive obvunza Themba apo ini wacho
misodzi yaive yongoerera ndakazozvishingisa ndokuumudza zvaive zvaitika. Iye haana kuda kutambisa
nguva akarova mota takananga kumusika. Zveshuwa takavawana vari Flat akabva akumbira kuti
madzimai aivepo andibatsire kuvatakura tivaise mumota ndokubva Tananga pa Micheal gelphand 24
hour clinic. Tichisvika manurse akamhanya mhanya ndokuvaisa pamadrip

Takambonzi timire panze vanachiremba vamboita basa ravo. Papera chinguva takazonzi tichipinda
zvedu. Ndakafara ndichiona mhamha vamuka ndikavambundira. Ivowo vaitoratidza kushamisika
vaisaziva zvaitika. Ndakazongovati "mhamha uyu anonzi Themba, ndiye andibatsira kukuunzai kuno,
ndangofonerwa handina kuziva andifonera." Ndafara nekukuziva mwanangu waita hako nekutibatsira."
"Muchitendei zvenyu mhamha neni ndafara kukuzivaiwo" akapindura zvake Themba.

Doctor akabva apinda "mhamha vava Right ava bp yavo ndoyayangokwira ndoyaita vadonhe saka
tichaona pavanodzoka kureview kuti ine irisei for now you can take her home. Mukaenda pareception
vanokupai bill renyu then mozouya movatora mabhadhara." Akadaro chiremba uku achitofamba
kuenda. Takabva tabuda naThemba ndokunopihwa bill

Raive riine $120 apa ini ndaisava kana ne$1" dont worry about the bill babe I will pay." Akadaro Themba
achibuditsa chikwama ndokubva abhadhara yese. "Ah Themba kuno kunodhura sha" "its a private
hospital babe plus vanonyatsorapa ndosaka ndauya kunoku. Plus ndaambuya vangu ka ava
vakandiberekera mbabvu yangu saka dnt worry." Akapindura hake Themba achisekerera. Akabva
azonotisiya zvake kumba .

Mhamha vadzika ndakasara zvangu ndichitenda Themba. Rudo rwake rwaive rwandishamisa "
unotendei babe iwe uriwe ndiro yababa. chienda unobikira mhamha ndokuona mangwana handiti ka"
akadaro achinditambidza $20 yaive ati ndizotengera mhamha zvavane vachida. Ndakangoti gamba
kubva pamota ndakanzwa huya piii piii ndikati ko zvadii ndichidzoka ndakasvika Themba akanditarisa
mumaziso zvikanzi wakanganwa ndipoo ndikatii chii icho zvikanzi .............. Mmmmmmmmmmmm.

End of part 5

*your comments and views please*

*God bless you all*


[11/05 07:28] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💘💔

WRITTEN BY

*CEE*

&

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

📞+27641791014

+26377774829

Chapter,,,,,6

AH,,, nhai Themba amana ndozvaungandidzosera izvozvo ah, ndokupa mangwana usatya hanty, nguva
ichipo mumwe wangu.,,, ah no dear kiss haimbokukonese kuvata ndokupa mangwana i promiseok.
Ndakabva ndatanga kufamba hangu ndakuenda kumba ndakaona hangu kuti shasha iyi kamoyo.
Karwadza. Ndikati ah mamhanyiro aya ini zvangu handidi hangu. Ndichisvika kumba ndakangosvika
ndichiisa foni pacharge. Ndakaita zvekubika since ndaityira kuti vafana vangu vaizogona kurara vasina
kutya. Ndakapedza kugeza ndikanopinda hangu mumba ndikatanga kuzvizora mafuti hangu. Ndakaona
kamuninina kangu kachiiuya kachimhanya nefoni.,,, hello,, Themba, waswera sei hako. ,,,ah vakomana
ko ukanzi Dady ndokuti zvidiiko nhai,asi ukasanzi dady hauzikwanisi kuenda kutoilet here nhai.,,,,kkkkkkk
Ahh babe wazondipedza hangu, amana ungati ndatadza kuenda kutoilet here ukasati dady usadaro
babe. ,,,,akadaro Themba achiseka hake. Ah babe usadaro kani nhai,,,,ah plus Themba zvimwe zvinhu
zvinoitwa nema feelings sha ndo love ndichakuita Dady waakaarivara hako,ok.,,, you no what babe, love
ka yakafanana neseed yekuti tikaidyara tikasadiridzira inofa babe so tinofanira kuita tichidiridzira rudo
rwedu.,,, ah hoo saka tinodiridza sei manje..,,, AH,iwayo madady,babe,love,honey and vana sweet ivavo
ndokuti kidiridzira rudo waizviva.,,,, kkkkkkk and wakaoma hako saka izvi ndobvura inodiridza rudo
hanty. Ah ok ndazvinzwa night dady kwacho.,,,, ndakazonowaridzira mom since vairwara. Tikavata.

Ndakamuka kuseni ndichigadzirira kuenda kubasa ndicingobata foni yanga ndakangoenda pa whats app.
Ah zvaTHEMBA soo zvakaoma,. Good morning honey ndikamuka ndikasataura newe ndikaenda kubasa
ka ndogona kungonzwa boss vangu vachindi ah today you not looks so good, saka kuti ndigare ndichinzi
gentle man ndofanira kungokuti,,,mamukasei masibanda mai vevana vanu.,,,ah sha unozviitirei nhai
Themba ukuda kuti ndkasvika kubase ndive confused zvekutsvaira mubasa mese nemop instead of a
broom hanty.,, kkkkkk babe usadaro inga unozviziva wani kuti pasina iwe mumusoro mangu hamuna
chirimo. Zvingatifanana naDecember asina Christmas sha to add on that. Mumoyo mangu munogara iwe
wega dear saka usandirambidza hako. ,, ok dady ndazvinzwa i love you so much.,aaah,
ndakazoshamisika ndatoti dady ndega yoo. Saka rudo mafeelings shuwa. Ndakazosvika kubasa
tichingokandirana matext paap naThemba ndakapedzisira ndisisadi kubva paapp coz Themba aitaura
mamwe mashoko ekuti ndaainzwa kuti ndakupera simba asi zvichinyevenutsa nyama kani.,,,naThemba
we spend mazuva akawanda tiritese tichigara musame location musoutherton. Ndaifara naThemba kana
ndakuenda kubasa kana pakudzoka tainge tichingofara.

Pakapera masvondo maviri nemazuva matatu kubva pazuva ratakanga taswera mupark naThemba.
Akasimudzira panyaya yake yekunoona hama dzake.,, ah babe ka ndafunga kuti tinoona tete vangu
kugweru next week ka kana zvichiita,ndipindurewo tione yekutamba.,,,, ummm pakaipa apa nyaya
yakadai haidi paapp sha huya kuno titura ok huya pagate ndobuda kana wasvika.,,,ko kumira naThemba
ndanga ndisisatyi zve coz anga akutozivikanwa namom vangu. Hazvina kuita 5minutes kuti Themba
asvike pagate pedu.,, ndauya honey,. ,,,,ok babe ndakuuya hangu. Ndakasiya mvura yesadza iri pastove
ndikabuda.,,, hesi my angel,ndanga ndakusuwa kani. Akadaro Themba achindimbundira.,,takataurawo
dzimwe nyaya dziya dzinonzi masvika panzvimbo munombotenderera kuseri kwenyaya henyu asi
muchiziva pamakananga.,,, ok babe wati toita sei now. Ummm ndinofunga zvawataura zvakanaka asi
ndichiri kuchikoro hanty unoziva hako ka.,,, yes,ndoziva asi kuona hama dzangu hakukutadzisi kuenda
kuchikoro dear asi kungoitira kuti tionewo kuti tine imwe step yatafamba murudo hanty.,,,akadaro
THEMBA akanditarisa muziso chaimo,ndakapererwa wena.,, ok dear its fine tinoenda.,, thats my girl
ndokuda babe,so mangwana ukuenda kubasa here.akadaro Themba,,, Ehe its obvious ka nhai hanty
ifriday here dear. Off yangu iri paweekend apa Saturday.,,, akati its ok babe takada kuparadzana asi
Themba akaramba akamira wena ndikati chienda ka nhai akati... babe ungangoenda like that here
usadaro. ,,,ukudei Themba,, akaramba akanditarisa ndikatoona kuti shasha ikuda hug.,, ndakabva
ndadzoka tikapanana hug. Ndakazonzwa munhu akutsvanzvadzira muromo wangu ndakati nhasi
zvangu,ko ndaimboziva kuti Themba inharadada yakadai,kuita nhunzvatunzva mharapatsetsetse,
yemukomana nhundira mutsime chaiyo,,,, kozvakaenda nepiko zvakatozongodaro ndokuzoonekana
takuparadzana, ndisti ndaregedza naThemba ndakaona maiweeeee zvangu nhasi hiii Themba akada
kubvunza kuti chii waonei, ndakatadza kana kutaura ndikazoti sha ma1 ndaona
mmmmm....,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,
,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,

*END OF CHAPTER ,,,,,,,,,,,,6*

COMMENTS AND VIEWS PLIZ


LOVE YOU ALL

MWAAAAAAAAA

WATCH OUT FOR PART,,,,,,7

DANKIE

[11/05 07:28] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💘💔

WRITTEN BY

*CEE*

&

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

📞+27641791014

+263773774829

Chapter 7

Mazuva ataive tawirirana naThemba kuzonoona tete akazosvika. Iniwo ndakataurira mhamha kuti
ndaida kuzoenda kugweru kunoona tete vaThemba. Havana kundirambidza semunhu wavaive voziva.
Takaita kufumobata jongwe muromo naThemba wangu takananga zvedu Gweru.

"Babe I hope watakura juzi nekuti Gweru inotonhora chero musummer chaimo." Akadaro Themba uku
akaita zvake kutsika mafuta tiri muhighway. "Ah andina ini hauna kundiudza ko unozotaura tatosimuka
nhai ende hauite" ndakatanga kumupopoetera. Iye akatozodzimura moto wacho nekuti aizotenga juzi
racho rekuti ndipfeke kana tasvika mugweru macho.

Mota yakarohwa ende aimhanya zvisingaite ndakatozoita wekutsiura " nhaiwe asi ukuda tisvike
tazvitunha kwatikuenda ah dzora speed sha""sorry babe wangu ndangojaira kumhanya kana ndiri
muhighways so. Plus atimbofe tisati taita kafirst born kedu Courtney." Akapindura zvake Themba uku
achidzora hake speed. Chinhu chandainyanyoda pana Themba ndechekuti ainditeerera, chese
chandataura aiteerera kusaziva kuda pamwe kwaingo kuteya zvake babe hameno.

Ndakatoona tatove Kadoma hapana kuita nguva refu takanga tatopinda pa *Trukers Inn* mukwekwe.
Takazobva kutenga hedu twuchikafu twunonaka twusingagutisi twuya twuma *just enjoy*.
Takazosimuka paya ndisu uyo Gweru pfacha. Akambomira mutown achitenga mvura sezvo pahuro
papaoma nenyota. "Babe chihendei tinotenga juzi mmmmm kaweather kari kuno akasi kuita
ndambokuudza paye." Akadaro Themba achibuda mumota. Takabva taenda pane kamwe kaboutiq
ndokunosarudza randaida juzi rainyatsodziya ndokubva Themba abhadhare zvake.

Takazosimudzira ndokusvika kwataienda Ku *lower Gweru*. Takasvika ndokutambirwa hameno pamwe


ndivo tete vacho ko ndaivaziva here. Takapinda mumba ndookugara zvedu pamasofa. Mumba manga
makanaka umu. Iro sofa racho zvaro raitaura rega kuti ndinodhura iri. Kuzoti zvimwe andichataura
zvangu asi manga muri mumba mune order ndapota zvangu. Ndakazonzwa Themba aakubvunza
"makadii henyu varipiko vene vepano?" Ndakabva ndatoziva kuti havasirivo tete vacho.

"Vatobuda anzi vanodzoka ikozvino vabvira kare vachitokutarisirai." Akadaro mudzimai uya.

Pasina chinguva tete vakabva vasvika. Vakasvika ndokutikwazisa ndokugara zvavo pane rimwe sofa.
"Aunty ndiigireiwo drink mupe vaenzi ava." Vakadaro ndakabva ndaziva kuti uyu ari kunzi aunty aiva
musikana webasa. Ah Kune vanhu vane zvinhu zvavo kumusha kuita Kunge kuTown. Akamhanyawo sei,
ndobva taisirwa hedu zvinwiwa.

"Tete ndofunga ndakambokufonerai ndichikuudzai, uyu ndiye anonzi Mavis. Ndipo pakaonekwa neziso
rangu apa. Ndipo pandimire ndese. Ndisingakanganwe kuti uyu ndiye mhodzi yandakadyara pakati kati
pemoyo wangu tete. Mavie ava ndivo tete vangu hanzvadzi yababa vangu. Nditete uye ndibaba zvese
ipapa pavari." Akataura mashoko aya akadekara zvake Themba. Iniwo ndakabva ndauchira maoko
"ndafara nekukuzivai tete" ndokubva ndanyarara. Ko tsika ka ndopaiva pamusha padzo. Apo mai vangu
vanga vakagona zvavo.

Ndakaona vakusekera zvavo tete, vairatidza kuva munhu akasununguka kusazoziva sezvo kaiva
kekutanga kuvaona."ah ndiye muzukuru nhai inga musha unokura manje manje ini hangu ndafara
nekukuziva muzukuru. Sununguka zvako muno mumba mavatete vako." Vakadaro zvavo tete. Nyaya
dzakazotsva asi ainyanyotaura ndiThemba naivo tete ini ndaiita ndichizvidzora semuenziwo so
munongozivawo ka nyaya yacho.
"Eeeh Themba," vakadaro tete uku vachikosora kosora kuita semunhu akachidzwa."izvi zvawaita
ndazvifarira chose. Zvakare ndinovimba unoziva zvazvinoreva handiti. Ini handina umwe munhu
wandichada kuona pano kunze kwa Mavie uyu. Handidizve kunzwa kuti marambana handiti
unonyatsonzwa zvandiri kutaura?" "Mashoko enyu ndiri kumanzwa tete iniwo handimbokunyadzisai
munofanira kuThemba neni sezita rangu" akadaro Themba zvake achisekerera achikwenya kwenya
zvake tundebvu twake twepachirebvu twanga twuchangotanga kubaya sekachikweme kachangotanga
kumhemhedzera.

"ehe ndinokutemba hangu asi ndinoda kukudza kuti usazorasika mwana wehanzvadzi yangu. Ini
wakatoona waita umwe usatombouye kuzondiratidza zvako. Nekuti wakaona vanhu vachifambidzana
vasvika pakuda kuratidzana kuhama kureva kuti hapachina kudzoka kumashure. Ndinoda upabatisise
ipapo" vakatsinhira zvakare tete "aewa mashoko enyu ari munzeve tete. Ndinofunga kana iye Mavie
arikuzviona kuti ndomuda nemoyo wangu wese. Saka musatya tete" akavavimbisa Themba. "Ko nhai
Mavie Themba akambokuudzawo here kuti ane mwana wake"

Ndichinzwa mashoko aya ndakaita sendichachema ndakavira nehasha zvekutadza kudaira ndakazoti
pava paye ndokuzoti"aah aanga asina chaakataura nezvavo" ndakati nechemumoyo shuwa Themba
angandivanzira zvinhu izvozvo. ko saka zvingani zvaasingandibudire pachena. Ndakambofunga kubuda
ndonokwira zvangu kombi ndidzokere Harare dzimwe pfwungwa dzakati aewa gara. Asi haaa zvaive
zvatondibata bata. Hakuna chinhu chinorwadza sekuzoudzwa nyaya nemumwe munhu asi
waunofambidzama naye asina kumbobvira azviti bufu.

"Ah ndiri kuzvitambira Mavie ndanga ndichitoda kuona zvangu reaction yako. Ndatoona kuti
mamatozvimba chihururu. Haana kana uyu. Asi kana ainaye ari musango ende andimuzive ini."
Vakazodaro tete apo vachiseka zvavo. Ndopandakazotura mafemo ndaona kuti ah shuwa tete vanga
vachida kutamba neni.

Nguva dzakanga dzafamba saka Themba akazooneka tete kuti tizofambawo zvedu kuchakachena"aewa
ndafara vazukuru vangu kungoti nhasi baba vepamusha pano havapo vakaenda ku UK for a business
meeting dai mavie aona. Asi ndovimba pamunouya next time munowana varipano." Vakadaro zvavo
tete ndokuzotibuditsa zvavo mumba. Vakazotambidza Themba $100 zvikanzi ugotengera muzukuru
wangu drink ndokubva tasimuka zvedu.
Tamunzira Themba andipa $100 iya" mashereni ako edrink aya babe ozotenga wega raunoda ini
zvekuzonzi ndakadya mari yemukadzi kwete" ndakaseka hangu ndokutambira. Shuwa pane vanhu vane
mari dzavo kupihwa $100 yedrink ini mati ndaitenga drink here ndaitoipfinyira ndotowedzera pamari
yangu yeexam fee. Ah zvaThemba ko unomira pano paroad chii. Ndakabvunza hangu ndakamutarisa
Themba akati .................a aaaaaa.......

End of part 7

Your comments and views please

*Thank you God bless you*

Send add to +263773774829 to be added

[11/05 07:28] MANGWENYA: https://chat.whatsapp.com/GZ9DZZTOGpvEYHwAiDPwNI

*WAKANDIGONA WENA*💘💔

WRITTEN BY

*CEE*

&

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

📞+27641791014

+263773774829

Chapter....... *8*
Ahhh Nhai Themba inebasa Reiko kiss Nhai. Ok oohh. Ah zvaThemba so ko kutozotadza kudriver hanzi
ndinoda kiss yoo. Takazongopanana kiss yachi kwakusimudzura nerwendi. Shasha yakanga isisatauri
manje kwakurova mota zvekuenda chaizvo apo akanga ava manheru chaiwo. Takafamba zvekuti
ndakanzwa kuti *B.M.W*,, iri kukwakuka zverwendo chaizvo. Takazomira tatopinda muchegutu
kuma10. Takamira pa *Chicken inn* tikadya hedu, ndopakatangira Themba kutaura. "Thanks babe waita
basa hako ndafara chose. Waona tete vangu waita hako.",,, akadaro Themba akanditarisa.... Newewo
waita basa Themba wandiratidza kuti unenge uri serious. Kkkk takseka hedu tichisimuka takunopina
hendu mumota medu kuti tichipedzisa hedu rwendo rwedu.

Takapinda muharare na11:30. Themba akananga neni kumba kwedu. Takasvika pagate tikamirapo
zvefive minutes. Ko rwanga rwopisa ka rudo rwacho.ko twuma trust twanga twaiswawo ka ne kuda
kwekunoona tete ka. Takazoparadzana ini ndikapinda hangu mugate medu. Ndichongoti pamachira
pangu ndakaona what's app yapinda. "I love you my wife good night.",, mumwe angava ani ndiye chete
temba.... Ndakangodzoserawo twumuromo twuya twepa what's app twunoratidza kiss ka... Ndakabva
ndadzima foni yangu kwakuvata hangu. Ko ndichimuka kuseni ndakagadzirira kuenda kuchurch hangu
sezvo yaiva svondo. Ah Zvakaoma chokwadi kana vanhu vadanana so ka Zvakaoma hazvo. Nhai Themba
wanga wamuka nguvai nhai. Ndakaseka hangu achitoti. "Ah handibatwi nehope kana ndichida kutaura
newe babe wangu... Ah bva zvakanaka hazvo. Ndakapindura hangu ndichitopedzisa kuzora mafuta. Ko
ivo mhamha vanga vatobuda kare ko ndanamai ruwadzano ka ndivo vanotanga kunogadzirira svondo ka.
Ndakazopedza hangu kuma10 ndikabuda asi ndanga ndanonoka wena. ,,ah vakomana wanga wauya
nguvai nhai Themba dia... Ndakashamisika ndichitoona Themba akamira nemota pagate pedu..."pinda
tiende ndoda kunokusiya kuchurch. ... "Ah zvaThemba zvaisanzwisisika rudo rwaaiva narwo ka zvakaoma
hazvo... Takanosvika pachurch vanhu vese vakanga vari muchurch vakashamisika ndichibuda mu
*B.M.W* yakanaka kudaro... Apa ndakaona maidei shamwari yangu achisekerera ndakanogara padhuze
naye. Church ikaitwa apa aingozevezera kuti" ah makaipa asikana. Makatozotora accountant weCabs
ummm makuseri.. "Ah zvaMaidei so church yakapera achingopa macomments chete... Tichipedza
church ndakabatidza Phone ndakaona yoo mamassage kuwhats app arikuita kudirana chaiko.
Ndakananga pane wangu ka nhai ko papi pacho pandaitanga kupindura vana tinongoinda vese ava.
Ndakaona ah."babe ndane 30minutes ndakakumirira pazindoga pamashops ka. So ndakuona vamwe
vakutobuda uripi." Even Prophet pavabuda ndavaona uchiri kuitei.",,," Themba hny ndakuuya ndanga
ndasara ndichirongedza machairs ka semayouth." ,,, ndakapindura hangu ndichiyambuka road
ndakananga paZindoga. Ehezve ko ndokuti *P.H.D MINISTRIES*,, Ndakasvikopinda mumota hangu
kwakunanga kutown hedu. Ko kumba taigomhanyirei. Hapana chataida kunoita sezvo yaiva Sunday ka.
Takananga kupark iri kuna 7th uko tikanogara hedu newangu murume wamangwana Themba. Takaita
nguva yekutorana mapics hedu. Ko makiss wanga watova mutemo murudo rwacho. Themba akazotanga
imwe nyaya yekuti ndakaseka zvisingabviri... "Ah vakoma nhai Themba speed yako yakanangepi nhai ko
zvandichiri kuchikoro wani. Tozoita zveku Engager ndapedza chikoro dear why are you rushing like that."
"Ah no dear ndinokuda kani kuEnganger doesnt mean wakutouya kumba kwedu.", akadaro Themba
akanditarisa muziso chaimo. Ko iko kunyemwerera kwaiitawana wevanhu hake yoo zvakaoma shuwa...
"Ok babe i understand hangu but that was my wish, asi kana usiri ready its ok." Takapedza hedu kutaura
tikachinja topic since Themba aisapererwa hake.

Takazobuda mupark kumanheru zvekuma5 takananga hedu kumba. Chandaidira Themba aisabata
munhu zviya zvatinoti romance kana iri kiss waingova muromo to muromo. Plus ini hangu kubatwa
especially mazamu ndaisada hangu. Takadanana naThemba zvakametsa muchimana. "Babe ka ndoda
kuzoti tizonoona mai vangu kwaGutu kana wazowana mukana." Akadaro Themba paWhats app uri musi
we Tuesday manheru ndakunovata hangu. Ndakati ah handipinduri ndozopindura mangwana ndoda
kuona kuti anoita sei hake. Ndakabva ndadzima data rangu kwakuvata hangu since mangwana acho
kwaiva kubasa. Ndakamuka hangu ndokumhanya kubasa hangu semazuva ese. Ndichipinda pabasa
ndakadanwa naManager kuoffice wena. Kwakugara neni Pasi zvikanzi."ndoda kukuchinja basa Mavis we
have been working together for a long time. So now ndakuda uende pahu cashier, starting from now ok.
"Ndakabva ndatokandirwa T.shirt yakanzi K.F.C. I can't believe it kuti shuwa ndini here Mavis hangu
ndachijwa pekushandira ah Zvakaoma Mwari munesimba kudzwai. Ndakatenda manager wangu
ndikasimuka hangu kana vana Paida nanaSusan Havana kuzvitenda kuti Mavie atosiya zvana mop nana
broom izvi. Ndakatozotanga kuona kuti ndapinda zvedi pandakatanga kusaver macustomers.
Ndakaswera ndichitochaya till nguva refu ko kukasika kubata zvinhu ndiko kwaiva kubasa kwangu ka.
Ndakazokumuka hangu ndakumhanyira kuchikoro. Takanodzidza hedu asi ndaingofunga kuti shuwa here
ndini here ndatovawo mumwe munhu. Themba akazouya kuzonditora kuma10 semazuva ese.
Ndakatanga kuratidza Themba kuti ndine mufaro wakapetwa. "Ko chii Nhai hny mafariro mauri kuuya
aya asikana ka seems kuti pane zvamasimudzirwa nazvo naMwari." Akadaro Themba achinyemwerera
hake ukuda mota ichirova Pasi takananga hedu kumba. 'Ah hny Zvakaoma kungodanwa from nowhere
namanager wangu kakunditi ndakuchinja pekushandira. So kubva mukutsvaira kuenda mukurova till wo
ah Mwari waProphet andisimudza. .. "Hoo ah zvakanaka.",,,Themba akadaro asi ndakatsvaka mufaro
pachiso chake ndikaushaya hangu...ko nhai dady kwakanaka here. Hamuna kufara wani kuti mukadzi
asimudzwa... "Ah very interesting darling ndafara hangu,asika.",,"asi kudii futi nhai mudiwa wangi."
Ndakabvunza Themba hangu asi mufaro ndakanga ndisisina hangu. Apo asina kupindura Themba
takabva tasvika pamba ah ndakangonzi good night ndikatomboti rega ndibiruke tione maybe anoita
zvaasimboita zvekundidzosa futi. Ah kwani nhai mota yakasimudzwa ikaenda ndikasara ndakamira
hangu. Asi ndakapererwa ko nhai Themba atsamwei asi zvinobhowa here izvozvo kuti nasimudzirwa inga
ndokutopinda kwacho wani. Ndakazopinda mumba wanike mhamha vatovata ndakasvika ndikavamutsa
ndikatsanangura kukwidziridzwa kwangu asi mhamha vakandiyambira vakati... "Hongu wakwidzwa
pamusoro tinotenda Mwari asi ndinokumbira usvinure.",, "munorevei pakusvinura mhamha handisi
kunzwisisa hangu. Mukutii asi munerimwe naThemba here,nekuti Themba ndamuudza futi izvozvi
akanditsamwira zvorevei nhai mhamha. Asi vanhu mukurwadziwa nekusimudzwa kwangu ahhh
zvakaoma. Asi mukurwadziwa nezvigunwe mubhutsu kkkkkkk. "Ndakaseka hangu ndichisimuka paya
ndakuenda kunorara. "Mwanangu takakura kare isu takashanda mabasa akawanda tikaita mamanager
akasiyana siyana asi magumo ekukwiridzirwa pabasa uchamaona hako." Ndakabva ndangoti horaiti
mhamha tozviona zvaitika and chinouya chinoona ini. Ndakabuda ndikanopinda mumba mangu. Ah asi
chii chikuitika asi ndatadza kuudza vanhu ava. Ko Themba namom vangandivengerei havo ahh saka
ndodiiko. Ah hameno ikoko tozviona zvaitika. Ndakazongoona pic rangu raiva paprofile pake rabviswa
ndakarara asi ndakanga ndabatikana ndikati mangwana handiendi kubasa kwacho. Ndakazorara kuma
12 ndichizvidya mumoyo hangu ko Themba ndaimuda ka.

Nadakazomuka foni ichirira ah ndakavhunduka... "Hello asi hausi kuuya kubasa here."...ah ndiyani
arikutaura ndakabvunza hangu ndakatodekara. "Manager vako"." Oh am so sorry manager nhasi
ndakundika ini ndikurwara..." "Ok Mavie iribho,uswere zvakanaka be a good girl". "Ah ok manager thank
you". Foni ichikata ndakangoti nhasi zvangu asi manager varikuda kuita sei. Ahhhh hamenooo ndezvavo
izvo...........

*end of chapter ... 8*

Comments and views pliz

Like our facebook page

*bs braggnave sikaz books/stories

Thank *God*.

*Amen*

[11/05 07:28] MANGWENYA: https://chat.whatsapp.com/GZ9DZZTOGpvEYHwAiDPwNI

*WAKANDIGONA WENA*💘💔

WRITTEN BY

*CEE*

&

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

📞+27641791014
+263773774829

Chapter....... *9*

Ndakatoona nguva dzakusvika kuma10 pasina kana message yapinda yaThemba.izvi zvakava
nekundinetsa nekuti ini Themba wandaiziva aitotumira message ndisati ndamuka ndaitozosara ndamuka
yatopinda mufoni mangu kare. Izvi zvakabva zvandibodora. PanaThemba ini ndaive ndakaita kuwira
ndaimuda nemoyo wese zvekuti chero kanhu kadiki diki kaane aiita kaitondi affecter.

Kubva zvandaive ndamuziva taive tisati kana tambonetsana kana kutukana. Ndaitozvionera kunext door
ini. Ndakazongoti ah vanhu vanoti misi hainaki yose zve kana paine chanetsa achandiudza ini
akasandiudza ndongonyararawo. Kwaingovawo kuzvisimvisa uku semunhu mukuru. Umwe moyo
ndowakati ko dai wambosender iri message ndokubva ndaitumira zvangu pawhatsapp 'morning my love
how are you this morning.' Ndakabva ndaona shasha yaenda online ndione ah Themba is typing. Ndikati
rega ndione kuti zviri kunzii. 'Ndiri bho ' ndokupindura kwaakaita uku kwakubva atoenda offline.

Ndakabva ndatoona kuti masamba asiyana. Ndobva ndangoti ah rega tione mayb ari busy nebasa.
Ndakabva ndamuka ndokugeza ndokupinda zvangu munzira ndakananga kwaana Maidei. Ndiye ka anga
ari best friend yangu saka ndakati regai timbonozuwa pamwe ndingavaraidzike. Ko mupfungwa maive
mongopishana pisha ndatova neconfusion..ko ndaimboziva here kuti kuda munhu kunotorwadza here
ah zvakaoma mufunge.

Ndichisvika kwaana Maidei ndakawana achitokonya zvake fon yake akazambira mushana paverandah.
Achindiona akatoshamisika " Mavie waThemba urisey zvako ko asi wakuita off mazuva aunoda kahi"
yaiva garoziva kuti ndinongoita off sunday saka zvakatomunetsa. "Ah sha ini ndikurwara ini ndosaka
ndisina kuenda kubasa." "Ah hehede hakuna murwere akadai. Varwere vari kuchipatara ah iface
yemurwere here iyoyi?" Akadaro Maidei achiseka zvake. Uku achipinda mumba kunonditorera
pekugara. Akabuda akabata chair ndokunditambidza kuti ndigare.

"Saka watii Mavie ko sei usina kuenda kubasa?" Akaramba achingobvunza Maidei nekuti zvaive
zvatomubetsa plus ini wacho ndaisambotaridzika semurwere. "Ah sha Themba is just quiet on me ma1
chaiwo" ndakapindura ndakaita kurereka kamusoro kangu. "Yowe saka ukundiudza kuti warovhera
kubasa just that haurevese. Ko makambonetsana here hapana zvawakamuita here?" "Ah apana
akangodaro pandakamuudza about my promotion kubasa. Hanty u remember ka I told you the day
randakaudzwa nezvazvo." Ndaive ndotsanangurira umwe wangu pakatangira nyaya.

"Haaa chete here ko zvinotsamwisa here izvozvo ko handiti its good news and he should be happy for
you Themba ngaaite mushe ndoda kutomubvunza." Aive orudunuka zvake mwanasikana wemunhu "iii
aewa usabvunze sha pamwe tine tatoiwedzera munyu. " Akabvumirana neni Maidei nenyaya
yekusabvunza.

"Asi zvimwe ndezvimwe mbiri yamanager wako ivovaye yatekeshera wena" Yanga yatoimwe
yakatangwa nasahwira wangu uyu ini ndakabva ndavhura nzeve kuti ndinzwe imbiri yei. "Yei zve nhai
Maidei ?"

"Haaa vana Mavie musaita semusingaoni imi baba vanonzi vanoda vakadzi zvavo ndapota." Aive oseka
zvake Maidei. Asi pachokwadi ini ndaisvaziviva ndaitoshaya aive akazviwanepi.

"Kungoti imi vanaMaidei muri venew ziyana kaimi saka handingambokurambirai munobura zvichiri
kupisa isu ana Mavie totozozviwana zvapora kare kare." Ndakashaya aiva azviwanirawo kupi handina
kuzoda kugara ndakabva ndangobva ndaoneka kuna Maidei ndakuti ndakuda kuenda.

"Iri bho Sha but panyaya yawandiudza iya dnt worry. Themba is all yours tarisa even masteps aarikutora
anokuda sha. Mayb ameno chakangomubhowa zvake but one day he will spit it out. Please dnt stress
Mavies stress yerudo inotoondesa ukasara waita waya iwe ende ugonzwa hedu isu venew ziyana kana
totaura tine takungoti heee wakazobata mukondombera uye" aive akutaura achindisimbisa umwe
wangu. Asi kutaura kwandakaita naye ndakatobva ndatonzwa kurerukirwa ndakatoona kuti zveshuwa
kutaura kunotoita munhu amborerukirwa mupfungwa.

Ndakasvika kumba ndokuzvikanda pamubhedha kwakumborara zvangu semunhu aive ati nonokei
kurara. Ndakatozomutswa nefoni yangu yakarira. "Helo ehe ndeipi ko were are you ndakakumirira
kubasa ndanzi hauko?" NdiThemba uyu, voice rake rairatidza kuva neuturu. "Ndiri kumba nhas handin....
ndisati ndapedza kutaura ndakatonzwa foni yatokatwa. Ndokubva ndaenda pawhatsapp wanikwe pane
mamessage 5 ake. Yekupidzisira yaive yatobva kupinda foni ichangokata. 'Ndimirire pagate ndikuuya jst
now' ndakabva ndamhanya pagate pasinawo nguva Themba akabva ati pfacha. Ndakabva ndapinda
mumota ndokunomupa hug semunhu wandandasuwa.

Akatanga kupopota "ko nhai Mavie ndikubva kubasa kwako ndanzi hauna kuuya ko ini hauna kundiudza
wani wanga waenda kunoona ani?" "Face yayakatochinja pane yandajaira " ndamuka ndisinganzwe
zvakanaka sha pandakutextira kusen ndaona mapinduriro awandiota haana kundiitira saka ndatozotya
nekutokuudza Im really sorry my dear" ndakataura ndakaita kumutarisa mumaziso uku ndichitaurira pasi
pasi. Hanzi mhinduro nyoro inodzora kutsamwa ndakaona shasha yakundibata ruoko rwangu. " sorry
babe wangu ndandakangobhowekana lets forget about that and move on you know I love you right?"
Akadaro achikisa ruoko rwangu. Ndakatoona kuti shasha inenge yakutonyara nekuita kwayo. Ndakangoti
ah amheno ikoko ndokuenderera zvedu mberi nenyaya dzedu. Ndakazobva ndakuti kwakudoka rega
ndichipinda mumba. Iyewo akatenderana neni kwakundipa kiss yemamhanza kwakubuda kwakuenda
zvangu. Ndava mumba ndakaona message yapinda from Themba 'please forgive me my love you mean
the world to me and I cant afford loosing you' ndakasekerera zvangu kwakungopindura 'ndakuregera
Themba kana neni ndinokudisa rega ndimbomhanya nemapoto' ndokubva ndatotanga kubika. Ko
ndandakufara ka zvazvakubviroendeka.

Ndakatozotextira Maidei ndomupa update ye zvaive zvaitika iye akabva aita kuri kufona chaiko "Hello
Mavie ndatoita kutenga bundle of joy kuti tizuwe zvedu zvazoita ka. Ko handiti iwewe ndakuudza wani
kuti ingotyora zvako kunge pasina irikuitika."

NdiMaidei uyu.

"Ah iwewe unenge unoprofita chete atozouya wena ndikatonzi sorry" ndaive ndomupira hangu nyaya.
Takazoita dzinenge 10 minutes tiripo pafoni tichingogegedzera zvedu.

Zuva raiteera ndakananga zvangu kubasa ndaitofunga kuti ndichabvunzwa card rekuchipatara sezvo
ndaive ndati ndairwara. Uyo mutemo chaiwo munhu ukarwara unofana kuuya netsamba
yekwachiremba inoratidza wairwara zveshuwa asi andina kana nekuibvunzwa. Kahana kaingobika
manhanga ndakatozoshama kunzwa manager vangu vachiti"wamuka sei Mavie ko how are you feeling
today. Ko ivo vanhu vakanaka pachiso kudaro vanorwara here nhai?" Ndakakatyamadzwa nemashoko
avo aya ndakashaya kuziva kuti vari kuda kurevei mukuru webasa. Ndakacheuka cheuka kuti ndione kuti
hapanawo azvinzwa here ndokuona kuti apana aiva pedyo. Ndakazongodairawo ndokubva ndaenda
zvangu kunogara patill pangu.

Ndakarova basa semazuva ese nguva yangu yaakukwana yekuenda kumba ndakabva ndaenda kunosiya
mari yandaive ndashanda kucash office kwedu ndikubva ndatakura kahand bag kangu ndakutoti regai
ndichinobuda. Ndakabva ndanzwa kamusikana kaishandira paPA system kachisheedzera kachiti 'Mavis
please report to the manager's office' ndakashama kuti ko ndaive ndaparei ko kwaisangodaidzwa
munhu zvekumhanya ndabva ndakwidza masteps ndakananga kuoffice kwamanager....

End of part 9
Your comments and views please

God bless you all

[11/05 07:29] MANGWENYA: https://chat.whatsapp.com/0xFt7JDYUvB4rPhqLUhtxt

*WAKANDIGONA WENA*💘💔

WRITTEN BY

*CEE*

&

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

📞+27641791014

+263773774829

Chapter....... *10*

You know what *MAVIE* kisses goes by favour. hanty you know that.",,, yes I know sir. Ndakadaira wo
zvinetsika zvee ko basa ndairida zvee. "Ndinezvandoda kukuonesa nhasi uvhurike pfungwa baby girl.",,,
ndakashamisika mumoyo kuti Manager vanorevei. Ndakati ok sir you can show me... "Ok look here.",,
vakadaro Manager vachivhura drawer. Hana yangu yakarova ndikapera Simba ndichiona mazimari...
Ndiri kushamisika kudaro vakabva vatoti. "Don't be amazed babe",, ndakawedzera kushamisika pavakati
babe. Ndakangoti its ok sir. Ko tsika dzepaba munodziziva ka... "Ok if you do me this favour I will give
you salary by 3, uyezve unenge wakuuya kubasa pawada hapana anokubvunza.",,, "what do you mean
Manager. What's this favour all about." ,,,, "ndoda uve...." Vakazotadza kupedzisa phone yangu yakabva
yarira. "Ndakakumirira paroad uripi." Uyu ndiThemba.,,, "ok hny ndakuuya" ndakapindura. Ndakaona
Manager face ichichinja so ndikati asi baba ava vakakwana. Ndakabva ndati ok Sir will chat paphone.
Ndamirirwa ndoda kumhanya kuchikoro. Ndakafamba ndichibuda asi musoro wangu wanga wakutema
nekufunga kuti ava vakuru ava vakuda kuita sei. Ndakanosvika pana Themba mufaro wangu wadzikira
apa ndakaedza hangu kuvanza kuti Themba asazviziva hake. Ndaitotya hangu kuti hatina mazuva
tatsamwisana asi izvozvi Themba handichadi kumutsamwisa hangu. "Hny hesi. Ko kunonoka kubuda
nhasi chiiko." Ndakabvunzwa naThemba ndikanyepera kusununguka. ,,,"ah shaa ndanga ndichibhaiza
stock wena am sorry." Ndakanyepa ipapo... "Ah iyo stock iyi muchatiudza muchairarirwa chete
nekamudhara kaya ndokaziva zve ini.,,," akadaro Themba ndakarohwa nehana wena. Ndikati thats why
Themba pandakamuudza nezve pomotion yangu akatasamwa nhai. Anomuziva Manager uya nhai. Plus
Maidei akataura the same futi hey pakaipa saka. "Hey Mavie ukufungei.",, ndakaita kuvhunduukira
wena. .. Ah hapana dear its only that eeeeh ahh hapana. Ndakaona kuti Themba arikuziva nyaya iyi. Ah
saka mudhara uyu imboko ka. Ndakazvitongesa hangu ndikazongotiwo hameno tozviona musi wacho.
Ndakasvika kuchikoro hangu Themba akandisiya hangu samazuva ese akadzoka. Tichiledza kuma10 hedu
as usual. Ndakabuda hangu ndikanomira panze since baba vangavasati vasvika. "Hi Mavie.",,, Hie.
Ndakapindura hangu ndakarara wo zvee. "Mukokomana anouya okutora apa ndewani",, why dear
wabvunza kudaro. "Kkkkkkkk. Pindura mubvunzo sha." ...ah ndakatoona kuti zvapakaipa. Ndakabva
ndatonyangazwa hangu apo musikana aindibvunza uyu zita rake chairo ndaisariziva asi iye aitondiziva.
"Ndati mukomana wani coz as i can see haangamboite wako. Asi maybe ihanzvadzi yako.",,,, ndakaseka
wena... "Usaseka ka sha am serious kana akauya umuudze kuti hanzi naLindsay. Mangwana usadzokera
ndisina kukuona.",, akataura kudaro Lindsay achitoenda kunopinda muneimwe *HAMMER*,, so yeblue.
Ndakasara ndakashama hangu. Hapana kuzopera nguva Themba akasvika hake. "Hesi madam.parisei
pachikoro.",,, akadaro Themba akamisa hake mota. Ndakadaira asi mufaro panga pasina. "Ko kwakanaka
here nhai madam. Madairiro ako anondiratidza kuti pane zvaitika. Ndakangoti ah hapana dear am ok asi
kuti nhasi work yandibata... "Ummmmm amana hoo its ok." Akasimudza mota Themba takananga
kumba and kumhanya chete Themba ndiko kubasa kwake. Nenguva dikidiki tanga tasvika kumba kare.
Tichisvika pagate takambundirana as usual ko kakiss kacho ndakapiwa zve ko papi pacho. Tikaonekana
ndikapinda mumba hangu Themba akasimudza mota akaenda kumba kwake. Mom maswera sei nhasi...
"Ndaswera hangu mwanangu asi rumbabvu rwangu rwune kakurwadza so handizivi chii.",, vakadaro
mom vachibata pambabvu yavo. Ah mom mungatadza kurwadziwa here neiwo mazitswanda
amunotakura muchibva kumbare. Munopora mom dont worry. Takazotandara namom hangu
ndakuvaudza nyaya yamanager wangu. Mom vakati. "Ko Themba wamuudza here?.",,, ah ndatya
kumuudza mhamha nematsamwiro aThemba iwayo ah kana handimbomuudzi. Ndikamuudza
anotononetsana navo kubasa ndikazodzingwa. Ndakapedza kutaura namom hangu ndikati ndakunovata
hangu."asi wakaguta kai nhai Mavie wakutonovata usina kudya.",,, vakadaro mom vachinzwira havo
mwanasikana wavondakangoti ndodya mangwana. Ndakabva ndananga muroom mangu.
Ndichingopinda ndakanzwa text yapinda paapp. "Hi",, hie ndiyani. Ndakapindura. "Ukuuya kubasa here
mangwana.",, ehe asi ndati ndiani. "Your boss.",, ah hoo ko kwakanaka here kutaura nyaya yakadaro
yebasa husiku huno. Ndakabvunza ndakutonyangadzwa. "I just wanna know dear.",,, ah nyt. Ndakabva
ndananga oachat yaThemba ndikanoti. Night hubby. Ndichibva ndadzima foni ndokurara. Kuseni
ndakananga kubasa samazuva ese. Takasganda zvakanakisa hedu. Masikati palunch Themba akauya
akatenga K f C yake. Achipedza kutenga akamirira order yake aitotaura hake nyaya. Ah zvaThemba
aman. "Ndokuda babe wangu and i know that pawaiswa apo varikuda kuwana kukunyenga. Ndovaziva
vakuru vepano. Asi ndinovimba newe.",,, Talentakaseka zvinonyangadza. Talent uyu mumwe mukomana
wataishanda naye akabva atsigira wena akati."uchanyengwa hako. Uchaona hako. Kkkkkkk",,, akadaro
achiseka hake Talent. Uyu Themba akazongoti. "Ndingariuraya nekurirova zimudhara irori.",,,
takapwatika hedu Themba akabva aenda hake. Takasara tikarova basa kusvika nguva dzekupedza
dzasvika.
"Right washanda nhasi babe.",, vakadaro manager ndichipedza kuvapa report yemari yatakanga
tashanda. "Saka wakazotii nenyaya yangu.",, hamuna zvamakataura manager. Ndakabva ndatanga
kubaya foni yangu kwakuuisa parecord. "Ndoda kuti uve babe wangu. Ndokupa mari yaunoda. Only
want you to make me happy ndoda kuti undipewo zvese zvandinenge ndichida. Newe ndokupa
zvaunoda." Vakadaro manager ndikaseka hangu ndikabva ndatj chengetai mhuri yenyu vakuru. Musada
kungojaidza moyo wenyu kutofira tofira pazvinhu zvamusingazivi. ''Kkkkkkkk do you know that you are
talking to your boss.",, yes i know boss. Ndakabvuma ndakasununguka. You are my boss kubasa not
pamuviri wangu. Munakura baba. Ndakabva ndavhara door zvekurovera ndichibva ndabuda. Ndakaona
Themba akatondimirira hake.

Mangwana acho ndakangosvika oabasa ndikatonzi ukudiwa kuoffice ndikati nhasi zvangu. Ndichisvika
muoffice ndakanzi. "Ah am sorry Mavie basa rako rapera nhasi dzokera hako kumba mari yako ndichati
iiswe mu account mako.",,, ndakati ah no boss am so sorry. Ndakabva ndaisa goni yangu parecord futi.
"Ah kana uchida basa wotoda neni.",, ndikakudai ndokuti ndigare pabasa. "Yes babe." Ah zvakuomerai.
Mukunyanya kudei horaiti. "Ndoda kungovata newe.",,, hoo tovatanirana kupi saka.. "Chero muno
babe.",, ndashasha ichinovhara door wena.

*End of chapter... 10*

Views and comments

*THANKS*

[11/05 07:29] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💘💔

WRITTEN BY

*CEE*

&

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

📞+27641791014

+263773774829
Chapter....... *11*

"come this side babe" vakadaro manager apa vachitobvisa bhande ravo raive rakasunga iro bhurukwe
ravo raita kunge rapepekale. Hana yangu yakatanga kurova, ndakadikitira munongonzwa imi. Ndakati
nhasi mwari wangu humhandara hwangu hwoenda here nemunhu wandisingatomboda zvachose.
Ndakaramba ndakamira ndokuona hezvo munhu atobvisa zibhurukwa riya asara neshort raive mukati.
Vakabva vanditi dzvi paruoko vachindidhonzera kuseri kwedesk ravo kwavaiva.

Vakandibata kudaro hameno chisimba chandakanzwa chichiuya so ndakabva ndaita vekuvhizura


vachinowira kwakadaro uko foni yangu irikune rimwe ruoko andina kuisiya kana. Ndakabva ndakwanisa
kupukunyuka mumaoko eshumba yaida kundidya iyi ini chitsoka ndibereke ndakananga panze. Matiziro
acho aya aunoita kana uchizivakuti pane ari kukumhanyisa ndiwo andakaita ipapo. Vese vandoshanda
navo vakatosha kuti chii chaiva chaitika.

Ndakasvika kumba ndichingomhanya chete. Ndakasvika mhamha vasati vatomboenda kumusika.


Ndakasvika ndiri muspeed yembwa nhatu chaiyo ndokuzvivharira muroom mangu ndokuti zii ndiri
imomo. Ndakazonzwa mhamha vapinda"chii nhai Mavie ko speed yawapinda nayo asi pane
madzuramoyo akudzingirira here. Taura neni mwanangu"ndambotanga ndabuda ndokunotsvaga mvura
yekukunwa mukanwa maive maoma. Ndakadzoka ndokugara pasi asi ndaishaya kana pekutangira.
Ndakazoti pava paye ndakutanga kutaura"mha zvakaoma manager vaye nhasi vanga vachida kundibata
vatobvisa hembe mu office."

"Maiweee watii Mavie,ndiudze kuti hapana chavakuita ndisununguke ini mwanangu." Vakadaro
mhamha uku vakabata gotsi. Pfungwa dzavo dzaive dzatofunga kuti pane zvandaitwa chete.

"Aewa mhamha ndazokwanisa kupukunyuka ndokubva ndatiza ndakananga kuno. Handina kuda kuenda
kubasa kwaThemba ndatya kumudisturba basa haaa zvakaoma mhamha. "

Pfungwa dzangu dzanga dzapanzvimbo pandandakupira mhamha nyaya.

"Yea handiti uchiri kurangarira mashoko angu ka. Chionamanje zvanga zvakuitika zvemumabasa
ndinozviziva ini,ari umwe ipapa aidai atobvuma nekuda kuchengeta basa pamwe nekuda mari.
Ndopanorasikira vamwe vanhu ipapa. Ndinotenda nekutiza kwawaita mwangu." Ichokwadi mhamha
vaive vambozvitaura ndakaona zveshuwa kuti miromo yevakuru haiwire pasi.
"Saka unoreva Themba hauna kumuudza here?" Vakabvunza mhamha

"Aewa andina mhamha kutaura chokwadi ndanga ndatova confused ndosaka ndatomhanya kuno
kumba." Ndakadaira zvangu.

"Ah chitobva wamuudza kana kutomufonera arege kunzwa neumwe munhu usati wamuudza iwewe
zvirege kuita sezvine kachitsotsi mukati." Ndimhamha vaive votaura. Ini ndakati haa kana Themba
ndikatanga nekumubatisa yese achiri kubasa anogona kunomutsa hovhiyo. Nekuti ka paye aive
ambotaura kuti anorova munhu. Saka ndakaona zvakakodzera kuti ndizomuudza abva kubasa.

Ndakazongomutextira ndichimuti ndadzokera kumba handisi kunzwa zvakanaka. Ichangosvika ndakaona


shasha yatofona "helo babe ko chii talk to me"

"Ahmusoro dear sorry ndazongouya kumba ndisina kukuudza ndandisikuda kukuvhinga basa" ndini uyo
ndaive ndopindura

Iye akabva azongoti anouya achindiona abva kubasa. Handina kuda kana kubuda ndakati regai ndizorore
pamba.

Themba achingopedza basa akabva ati pfacha. Ndakabuda gate ndokunopinda mumota make. "Babe hw
u feeling zvanani here?" Akabvunza achinditsvoda pamhanza."ehe haa much better ko waswera sey"
takasweresana hedu ini ndokutanga kutsvaga plan kuti ndoitanga sei nyaya iya. "Themba sha pane
zvaitika kubasa"

"Chii chaitika babe tell me asi basa rapera here?" Aive akushushikana Themba uyewo aive aona kuti
Mavie wacho haasiriye mavie wemazuva ese.

Ndakabva ndamuudza yese nyaya sezvairi. Ndakaona Themba face yachinja. "I knew this was going to
happen. Ini izvi ndizvo chaizvo zvandinoendera kugym izvi kanondiona kadhara kaye wati kuda kuita
sei....nxa" aive opotota Themba zvisina mukare akamboona ndakatomboti rega ndimbonyarare apedze
shungu dzake. "Please babe tell me kuti haana kuku......" akanga achifunga mukuru aive atorara neni.
"Aewa Themba hapana zvaazondiita ndazopukunyuka sha.

"Right Mavie enda unopfeka bhutsu we are going there right now handiti tomuwana achiripo ka?"
Themba aive atofunga zvekunorova munhu asi ini ndakaona zvakakodzera kuti tisaenda. Ndaida nyaya
yacho tiite zviri profesional "aewa babe calm down lets deal with this issue professionally kurwa
hakuite . Ndakutofanira kuita police case. But first I have to report the case kuheadoffice kwedu
mutown. Then from there we take it up. Inini paiitika zvese I was recording saka evidence yese ndinayo
mufoni mangu umu. What do you think Themba?" Ndakaona aakuratidza kunzwisisa zvandaive
ndataura. Takatenderana kuti taizoita sekutaura kwandaive ndaita. "Eish babe you are very intelligent
hey. Please do send me marecording acho ese just in case unobirwa foni nemagwere gwere." Ndakabva
ndamusendera ma audio aye nebluetooth akazoeneka zvake oenda kumba kwake ini ndokupinda
zvangu mugate medu. Mhamha ndakazovapirawo pfungwa dzangu vakati ndiite sekudaro.

Ndakamuka ndakanakanga kuheadoffice yedu yeKFC yaiva iri kuMsasa. Ndakasvika pareception
ndokukumbira kuona general manager. Ndaitoda vari madirector asi kuti vaiva vari ku South Africa sezvo
KFC iri yeku South Africa. Ndakaratidzwa office yavo ndokusvika varimo. Ndakapihwa pekugara.
"Makadii Sir. Inini ndinonzi Mavis. Ndinoshandira KFC iri muSoutherton. Ndauyawo nenyaya yangu."
Ndabva ndavaudza nyayese vaZinyemba. "Mmmmm nyaya iyi yakaoma. Asi ndinokutenda nekuuya
kwawaita uku mwanangu. Vazhinji varikudzvinyirirwa mumabasa umu vachitya kutaura. Gara zviya
manager wako ndiChivi handiti.?"

"Hongu Sir" ndakadaira.

"Yeah murume uyu pabranch ipapo akaiswa nemadirectors edu. Saka ini rega ndivachaire nhare
ndivazivise nezvenyaya iyoyo nekuti vanomuti anogona basa zvekuti" ipapo vakabva vatanga kubaya
baya land line yavo vachitofona. "Hello yes may I speak to mr Williams." Vakadaro vaZinyemba.
Ndakaona vamboti zii ndofunga foni yaiitwa transfer to mr Williams. Ndakazonzwa vaakutaura
vakaisuma yese nyaya iya pafoni ipapo.

Vakataura ndofunga zve 10 minutes. Ndakazongonzwa vakuti 'yes sir. I will do that.' Vakazokata foni
ndokumbotura mafemo.

"Eeeh Mavis, ava vandataura navo ndovaridzi vecompany. Vati ivo that kind of behavior haitenderwe
necode of conduct yedu. Saka ini ndichatsvaga munhu anofanira kuzotonga nyaya iyi. Inofanira kuenda
kuhearing chaiko ndochanel redu rebasa. Saka kana ndichinge ndatowana hearing officer I will contact
you. Vatiwo zvekare vanofanirwa kunge varipo saka vachatouya nendege specifically for that hearing.
For the mean time dzokera zvako kubasa and do your work as usual. Wakaona vakudana futi kuoffice
ramba ndini ndadaro."

Ndakanyatsoona kuti chokwadi zvimwe nenzvimwe zvine nzira yazvo. Ndaitofunga general manager
vachapa decision vari vega ndakatozoona kuti hezvo itori chain chaiyo. Ndakavatenda ndokubva
ndabuda zvangu.

Handina kuda zvangu kubhauka kana kuda kuudza general manager kuti ndaiva neevidence yangu. Ko
munhu munhu ka haungazozive zvaanofunga. Anogona kuzonochenjedza nyamukuta. Saka ndakaona
zvakakodzera kuiita secret. Ndakazviudza kuti ndaizobuditsa marecordings angu musi uchatongwa
nyaya. Ko nyaya yacho yanga isina witness ka taive tingori two muoffice. Saka paitoda evidence
yakasimba kuti ndibudirire.

Ndakanoshanda basa semazuva ese. Tapedza basa ndakabva ndabuda ndokuenda pataisangana
naThemba. Ndakawana asati aapo ndokubva ndamutextira kuti ndinzwe ave papi. Iyewo akabva
apindura achiti aakutosvika. Takasangana ndokubva ndamuudza mafambiro andaive ndaita nehurongwa
hwese hwaiva hwarongwa."eish yeah vanhu vekubasa kwenyu they are very proffessional dear. Asi uyo
manager wako ndichamubata chete ndikutokuudza pandomubatira hapafe pakamera huswa ndinopika
nasekuru vangu vakafa ini"

End of chapter 11

Stay tuned for part 12

We love you all

God bless you

[11/05 07:29] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💘💔

WRITTEN BY

*CEE*

&

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

📞+27641791014

+263773774829

Chapter....... *12*
Samazuva ese ndakamuka ndikananga kubasa sezvandakanga ndaudzwa naGeneral Manager.
Ndichingosvika pabasa kkkk. Ah vanhu kuda nyaya chiiko nhai. "Ko kuswera zuro wakazobuda
uchimhanya ka ko takashaya ka kuti shamwari yemukuru yakutiza kwakanaka here.",,, "kwaa ah imi
vanhu kungagoshatei ndanga ndanonoka ka saka ndanga ndakumhanyira kuchikoro." Ndakazovhara
vhara hangu asi team yese yakanga yaona zvayo kuti kuseri kwezvakavanzwa kune chiriko. Ndakashanda
musi uyu kusvika kuma 9:30. Ndakanzwa speaker wena. "Mavis report to Manager's office." Ndikati
mumoyo nhema dzarwo izvo ndozvandisiri kuzoita. Ah ko zvivindi ndaiva nazvo ka ko ndaiziva
pandakatsika. Ndakazoona after break zvadzokororwa futi. "Mavis pliz report to Manager's office its
urgent." Ndakaramba ndichirova basa hangu. Ndakazonzwa Talent ayuya. "Ummmm Mavis ukuita kunge
bofu rakatsika chidhinha coz zvivindi zvako ka zvakanyanya." ,,,,,Ndakaseka hangu ndikatoti ah iwe Tale
kana ita basa rako wakanyarara zvabvepi ko zvese izvi. Takarovana maoko ko shuwa ndanga ndakatsika
dombo shuwa. Yakauya shasha bhurukwa riri pamusoro peguvhu chaipo.,,,"young lady do you think we
are her forfun right. Do you think you can work the way you want right. Now i wanna show you who i
am and I think I should remind you that I am the manager of this branch. Ndinindine simba rekukuudza
zvandinoda.",,, vakadaro Manager vachidya marasha. Ndakatarisa kuside hangu. Ndichitora foni yangu
kwakutanga kutoiisa payazve. Pandakajaira ka parecord. Ndakati chirega ndichipindura manje. "Yes boss
you are the manager and i really know that 100% . ""so if you know that, why ndakudana kakawanda
hauna kuuya wani.?" ,,,, I am so sorry Mr Manager. So whats the storry now tell me here. Ndakadaro
hangu ndamira kurova till since vanhu vakanga vari vashoma. "I Want you in my office right now. But if
you dont show up in my office , you will be your on funeral you will dig your own grave with your own
teeth. See you in my office Mavis.",,, eish vakatonga zvavo semukuru webasa ka ndakabva ndati ah its ok
rega ndiendeko. Ndakatevera shure kwavo asi foni yangu yaiva parecord ah coz ndaitoziva kuti iyi foni
ndiyo witness yangu yrkutanga nekupedzisira. Ndichingopinda wena zvikanzi. "Basa rako rinowanika
pano kana taita zvandakataura but since you refused to do so. Hapachina basa rako pano. To add on
that will never ever let you get salary yemwedzi uno nekuti you are very rude.",,, ndakabva ndagutsurira
musoro hangu. Ndakangoti nechemumoyo kana iyi company iri yechokwadi baba this is your last abuse.
You attempted munhu asiriiye. "So now you can chose your job or home. You can only get your job by
having sex with me and home by refusing to.",,, ndakangoti ah handikwanisi hangu kurara nemi I am
sorry. Ndichingodaro ndakabva ndatobuda. Hangu ndakananga patill yangu. Ndakashanda kusvika nguva
yekuenda kumba yasvika. Ndikanosiya mari yatainge tashanda ndikabuda hangu. Svikei Themba akanga
atondimirira kare. Ko mazuva aya anga ochengera zvinoonza kani. Ndakaendeswa kuchikoro apa
ndaingonzi Mavie ukanyengwa nemumwe munhu ndinouraya hangu handimboregi. Ah takafara hedu
tichisvika kuchikora that day ndakakasika wena. Ndichingosvika kuchikoro yoo wanikwe musikana uya
Lindsay akaita kumisa zi *HAMMER* rake paanoziva kuti ndipo pano parker Themba mota yake. Ah
zvisinei Themba akabva aparker opposite side ko mutown ka hauziti ndepangu. "Hi Mr handsome and
how is your sister umm makafanana shuwa.",,, ah ndakamboda kuseka wena ndichinzwa mashura
akadai. Panekuti ndimirepo ndakangotanga kufamba ndakananga muclass. Iyiwo Themba akambodana
Zita rangu ndikangoti ah Maya handitomiri. Ndichipinda muclass ndakaona nguva diki diki musikana uya
Lindsay achipinda. Hona step yacho yoo kuita njapisi chaiyo. Takadzidza asi Ndakanga
ndakutoshonyororwa Moyo nehasha. Ko ndaiti ndikamutarisa so ndainzwa kunhuwa Ropa.
Ndaimbofunga kukwakuka kunomubata pahuro ndikangozongozviudza kuti ndakavinga chikoro not
Maoko. Haa takazobuda nguva yedu yamazuva ese. Takabuda panze ko mota yaThemba yaiva ipapo
pane *HAMMER*,, yaLindsay. "Auya uya babe.",,,, akadaro Themba akavhura maoko. Ndikati yessss
nhasi ndoda kuratidza iyi isingadi kuona vanhu vechirume. Ndakasvika ndichipinda mumapapiro
aThemba. Miromo ichinodyanana ikoko. Ah ndakakisser Themba zvekuti ndichizopinda kumota
ndakaona Lindsay achipa zigunwe repakati riya hanzi fuck you. Ini ndakangoti mumoyo ah never uyu
haumuhwini. Ini ndatadzwa naManager ne kuda kwaThemba uyu. Iwe wozomutora ah kana.
Takazotanga kutaura dzimwe nyaya naThemba takananga kumba. Tichisvika pagate samazuva ese
takaonekana. Ndichisvika ndakaona mom varara nevafana vana vavata ndikati ah Maya handivamutsi
neni ndakuvata wo. Kana kudya ndanga ndisina kana basa nako hangu. Ndakabva ndananga paapp
kwakusender Themba audio iya yandakanga ndatora futi ndakaona shasha hatina kuita time akasenda
text. "Nhai babe saka nhasi futi Mudhara uyu anga achida futi. Yoo zvaakatooma. Ndofunga akakutarisa
anotoona marara mese manje acharara newe. Mupfungwa opedzisira azvibetsera neruoko rwake.
Kkkkkk.",,,, akaseka hake Themba amana kuzombomirira kuti ndipindure akazokanda imwe text. "Ah
night hako mukadzi wangu. Mukadzi asingadyiwe zvekumhanya ahh ndokuda Mavie. Goodnyt.",,, ah
zvaThemba vakomana so ah zvakanyanya. Ndakazosara ndoseka ndega hangu,ndakabva ndati
handimbovati ndisina kupindura ndakabva ndakakandawoka. Ndikati. "Humhandara ndakachengetera
iwe Wega Themba usatya hako Chero vakadii Manager sezvawataura vachavata neruoko rwavo
vachidana Zita rangu. Kkkkkk nyt Dady." Ndakabva ndatodzima phone yangu kwakuvata ko kuverenga
musi uyu kwaiva kure neni.

Ndakazomuka mangwanani ndikaita basa rangu ndikapedza ndikamukisa Mhamha vangu. Ndakazobuda
ndoenda kubasa. Ko kubasandaingoenda zvee. Ndichingosvika kubasa ndakangopinda mubasa asi
takanzi musavhura pane vaenzi varikuuya. Ah takasvika kuma10 takangovhara tichingobvunzana. Asi
pane zvaitika here. Ndakabvunza hangu vanhu vese vakati ah hatisi kuziva isu.ah zvakaoma wena.
Ndakazoona dzatova kuma1. General Manager vakapinda. Ko pakamboita 10minutes herepakanga
pazara mazimota kani emhando yepamusoro. Ndaakadanwa paya ndikanopinda muoffice. "Welcome
Miss Mavis.",, vakadaro General Manager. Ndakagara pachair ndakatarisana nevarume vane matumbu.
Wena ndakapiwa maintroductions paya ndikaziva maDirectors ecompany. Nyaya ikaparurwa na hearing
officer vakauyapo. Ndikanzi tsanangura zvakaitika. Hey ko paitaurwa chirungu chega ka ko vamwe vanga
vabva South Africa so shona yaisashanda apa. Ah apo kuti nditi ndaka *explainer*,, ndingatoti
ndakadonongodza. Manager vachinzi vataure vakangoti. "Inhema dzake musikana uyu chaaida aida mari
kwandiri ndikamunyima akati tichasangana saka so I think ndozvaairevera izvi. "Hey Director vakavava
wena vakati kuda kutya mari yangu call police now." Ndakabva ndati. Excuse me you all the respected
ones. I have got my evidence. Ndakaona Director vachikanda foni yavaida kufonera police pasi.
Ndichibudisa foni yangu yakabva yabairirwa pamaspeaker hey. Ndakaona mukuru achionda achidonha
mvura. Ah I think mvura yakabuda manager inogona yakabuda pese pese. Coz ummm ndakaona
vachinyorova so. Ndakazoplayer yekupedzisira ine zvanga zvaitika nezuro wacho ndakaona maDirectors
achizevezerana munzeve. Ndakazongobvunzwa kuti "did you pass your Grade 11.",, apa pagrade 11
ndakatadza kunzwisisa kuti vairevei. Ndakazobetserwa naGeneral Manager vakati.,, "varikubvunza
form4. Wakagona here.",,, ndikati yes I did. Ndakaona vachigutsurira. Vakabva vati. "General this young
lady is the one who is going to..................
End of chapter 12

We love you

Comments and views on above numbers.

*Thanks*

*GOD BLESS*

[11/05 07:29] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💘💔

WRITTEN BY

*CEE*

&

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

📞+27641791014

+263773774829

Chapter....... *13*

"This lady is very intelligent. She is going to run this branch. You will never know how powerfull a tea bag
is until you put it hot water. So never look down upon ladies. Give her a chance I strongly believe she has
the qualities of a good manager. So please Mr Zinyemba give her this oppotunity to run this branch."
Mashoko akabva kuna director aya. Pakutanga ndakafunga kuti ndaita manzwira nzwira. Ko ndaiti
semunhu kadzi ndingaitwawo manager here, zvakarewo pamaKFC ese andaiziva handina kana mukadzi
one wandakaona. So ndaingoti ndezvevarume izvi. Chero pasina izvozvo kubva kutsvaira kuenda patill
from till Manager your what a miraculous lord.
Ndakatozonzwa director mr Williams vachitoenderera mberi wena. "So mr Zinyemba, please groom this
lady, give all the support and train her the KFC way. Let her know the company , let her know the labour
law and everything. I knw you have groomed a lot of good managers so I want Mavis to be one of them
as well. And loose guy of yours fire him." Ndopandakaona kuti yea sure mukuru ari kurevesa uyu.
Ndakamboramba ndakati ziii ndichingonzwa mashoko director achingoramba achidzokorodza
mumusoro mangu kuita zviya zvinoita maungira zviya zviya.

Hearing officer vakazopeta nyanya vachiti" mr Chivi, according to section3.1 of our code of conduct you
are guilty of sexual harassment and its a dismisal case. If you you want to appeal, you can only do it
within 7 days from this day. Thank you for the time we have been together. " Ndakaona shasha
yakabuda zvayo yakaita kutota kunge yanaiwa haina kumbofungira ndizvo zvandingaiite. Ko yanga
yajaira kukwiyisa vana vevanhu nyemba nemusana iyo iri pamusoro nxaaa kusanyara.Yakafamba zvayo
zvishoma nezvishoma. Ndakabva ndambosiririsika mbijana asi ndakazorangarira kuita chikara nekuda
kwayaiva yamboita musi wayaida kundibata tsitsi dzese ndokupera kuti hwaa. Ndakabva ndati zvaiwana
ngwarati payaifura ivete ndaivapo ini. Ah tsveya tsveya shasha ichienda yakabhenda kunge mabus
ekumusha ekare.

Mr Williams vakati vaida kundibvunza mashoko maviri matatu vasati vabuda neteam yavo yematumbu
iyi ndakazonzwa yofaiwa mibunzo apo nechirungu ko isu ana Mavie taichitaurira kupi. "Beside grade 11
did you do any course Mavis.?" "Yes sir Im currently doing my diploma in marketing and Im writting my
final examinations next month." Ndakangoona vamwe vavo vachigutsurira misoro ndikangoti
ndikugona kupindura." "And what do you know about a customer?" Wakanaya wechipiri "well sir I know
that a customer is a king/queen and a customer is right. Treat him/her like a king/queen and he/will
make you a queen/queen." Ndaive ndopotsera tuchirungu asi ndakaona kuti vese vaivamo vairamba
vachingogutsurira misoro kuratidza zviri kuendeka. Vakazosiira zvimwe zvese kuna General Manager.
Ndokudungamidzana zvavo ndokuenda. "Makorokoto Mavis watova manager kubva nhasi. Ini
ndichatsvaga anofanobata zvemwedzi uno iwe uchiita management training yako. Mucompany hatingoti
munhu anobva kumba otoita manager asina kuenda kutraining. Anotoenda kutraining kunodzidza
masystems eKFC."

Vaive vonditsanangurira detail rese zvavo. Vakazondoti ndaifanira kushandira kuhead office ndichiita
training yangu kwetwo weeks dzaive dzasara dzemwedzi iwowo.

Shop yakazonzi ichivhurwa zvayo asi nguva dzaive dzatoenda. Ini ndakanzi ndisashande hangu that day
ndichinanga zvangu kumba. Ndichibuda vanhu vese vaive vakangoti maziso kwandiri akatanga Talent "
iwe mavie ah rariri dare rei ramamuchiita ah ku minija minija vabudamo face yakareba vaitwa sei.?"
Munongozivawo vanhu kuda nyaya kkkk. "Ah minija futi, vaitwa fired vaye rega vaida kutamba
nezvisirizvo saka haa vazviwanira mugove wavo." Ndakadaro zvangu ndichitobuda kuenda. General
manager ndovakazosara vatori manager musi uyu ndivo vakazosara vachivhara shop.

Mufaro wandaive nawo wanga wakanyanya. Ndakananga kubasa kwaThemba sezvo ndaive ndati
kurumidzei kupedza basa. Ndakasvika pareception Themba ndokufonerwa ndokuuya. "Yowe nhasi
masvika kuno mai mwana. Ndanga ndakuda kutopedza rega ndikupe nakeys emota unondimirira
kumota babe." Akadaro achibuditsa makeys ake muhomwe ndokunditambidza. Ko kubank ka kune
runyararo hakuitwe zvedu zvedzungu dzungu zvataive tajaira kuKFC kkkk. Ndakanogara zvangu kumota
ko kwayaipakwa ndaive ndokuziva ka. Ndakagara mo ndaive ndichingoti ndini here ndanzi ndaamanager
or ndikurota ndakatombozvitsunya tsunya ndikatonzwa kurwadziwa. 'Saka ndichatopihwa Company car
haaa mwari vakanaka shuwa vanosimudza marombe kubva muguruva.' Ndaive ndotaura zvangu ndega

Themba akazobva asvikawo. Moyo wake waitodokwairirawo kuda kuziva zvaive zvaitika kuhearing ka.
"Babe ndiudze zvafamba sei kuhearing kaitwa sei kadhara kaya kekuda zviro zvangu kekupenga kuda
kutema muri wangu nedemo rakagomara rekare kadhara Kaye ka" Akabvunza zvake Themba. Ini
ndakabva ndaidedenura yese nyaya sezvairi. Ndakaona chiso chake chichizara nemufaro. " so u mean
my wife is now a manager. Wow thats good news my love. Im happy for you, kwete zvako zviya
zvekupromotwa nekadhara kako kaye kachitaimira kuda kuku... hanty ukuona iyi ndoinonzi promotion
kupromotwa nadirector asingakuzive zvaakumaker sense manje." Ndakaseka zvangu "ho saka paye
ndosaka wakatsamwa ka ah kkkk saka waikaziva zvesure kamudhara ikaka." Ndakadaro zvangu.

"Eh ndaikaziva wena kkkk. But Mavie licence iya yawaingoverengera kutora yaakudiwa manje.
Samanager hanty KFC inopa company car. Ko vaavarungu vane mari dzavo ka vaye. Zvino uchaipihwa
omboiparker mai mwana." Ndakangomuti ndato munzira kutoitora ko mota yacho ndaive ka ndisati
ndaipihwa. Takataura zvedu nyaya kusvika Themba andiperekedze kumba. Ndakasvika mhamha vasati
vabva kumusika ndikati rega ndiite vekuteera. Ndakanga ndisisina kugadzikana zvachose ndaive ndoda
kuudzawo nyakutumbura chiitiko ichi. Ndakasvika ndikavati varongedze pavatengesa pakwana ndaida
kunovapira nyaya kuri kumba chaiko.

Tichisvika kumba ndakati mhamha vaite kuri kugara pasi pamwe nezvini'ina zvangu. Ndivapire nyaya.
"Ah Mavie mwanangu ko asi radzingwa basa rume riya kani ende une mufaro nhasi." "Ehe radzingwa asi
hazvirizvo zvega zvandiri kufarira" ndakapindura ndokubva ndavapira yese nyaya iya. Mhamha
vakasimuka ndokundimbundira tufana twangu twakauyawo ndokundimbundira. "Ah uku ndiko kunonzi
kurangarirwa nedenga mwanangu. Kudenga kunaShe uku ah ndanwa kufara mwanangu asi ndapota
usatendera kuti miedzo ikuedze pabasa rako itsva iri mwanangu. Ziva kwawakabva ende ziva unenge
uchishanda nevanhu vakangoitawo sewe. Bata munhu semunhu kwete kuvaita mhuka. Ukadaro chete
mwari anoramba achikurangarira ende achikuisa pamusoro soro. Kana bible rinotaura kuti *humble your
self before the Lord and he will lift up* iva munhu anozvininipisa handiti." Pari pakuraira mai vangu
yaive shasha. Ndaitenda musiki nekuda kwamai vanovaka vavakandipa. Ndakavavimbisa kuti handaizoita
sendisiriwo munhu. Ko manager munhuwo ka akangosikwawo naMwari sevamwe.

Ndakazobika kudya kwemanheru tikazodya zvedu ndokumboti tandare tandare. Takazonamata


ndokunorara zvedu. Ndava mugumbeze yakapinda message kubva kuna Themba " good night *MADAM
BOSS* I love you babe" haa zvaThemba asikana. Ndakakaseka ndokupindura. Kkkkk ok Dady accountant.
ndokuzorara zvangu.

Kuchichena ndakananga zvangu kuMsasa kwandaive ndanzi ndaizoshandira. Ndaiva patraining zveshuwa
ndakatoona kuti masamba aive atosiyana. Kuchaya till nekuva manager zvaive zvatosiyana. Ndakapedza
two weeks dzangu ndichienda kuMsasa. General manager vakazotendererawo neni mune mamwe
mabranches eKFC vachindiratidza mastandards aidiwa. Ndikapihwa zvinabook zvekugara nazvo
ndichiverenga zvaisanganisira company policy.

Ndapedza training yangu ndakambokumbira study leave kuna General manager sezvo mazuva ema
exams aive asvedera. Ndakapihwa week rese rekuti ndigadzirire maexams angu. Ndakatoudza Themba
kuti ndaive ndakumbodzima whatsapp yangu kuti ndimboita serious nemaexams munongozivawo app
inofurira zvayo.

*End of chapter* ....... *13*

Your views and comments

*Love you all God bless*

[11/05 07:29] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💘💔

WRITTEN BY

*CEE*

&
*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

📞+27641791014

+263773774829

Chapter....... *14*

Yes Themba I should stop doing this what's app thing. You see am going to be a manager of this big
company darling. I should stop spending my time on whats app. I must focus on my books now, because
i wanna be a manager ane chikoro ehezve babe diplomacy ka. You know what if i manage this branch
properly i will be someone trust me. Ndakaona Themba achinyemwerera.,,, "adzimai vangu kkkkk you
speak english like this oh my God,I ddnt know kuti ndine mukadzi muBritish akadai.",,, kkkkkkk ah tsek
Dady ndakadaro hangu ndichiseka zvakanga zvataurwa naThemba. Takafara vedu naThemba apo
angaauya kuzondiona hake kuseni seni coz ndakanga ndamuudza kuti ndakumbomira zveWhats app
nezvimwe zvese zvisina basa zvataiita zvekunotamba kupark hedu. Ndakazoparadzana naThemba after
an hour and ndakapinda mugate medu ndichibva ndananga pamabooks angu ko ndaiva ndatova serious
zve ko Exam ka yanga yatarisana naMavie At the same time Management yanga yakamirira Mavis also.
Ndakatanga kuManager myself from my phone to my books. Ipapo ndakakunda ndikatoona kuti ah kana
ku KFC ndinokunda zve because whats app inonetsa kuisiya guys asi ipapo ndakazviudza ndenga kuti I
should do it for my own benefits ka. Ndakaenda kuchikoro manheru acho Themba akandosiya hake
mukadzi wake paya pachikoro asi nyaya manje yandanga ndotambudzwa nayo ndi Lindsay. ah mwana
uyu ndakashaya kuti akabva nepi kuuya kuzondishungurudza chaiko. Ndakangoti ndichiburuka mota
Themba achidzokera ndakangoona mwana uya pfee apindira pandaiva wena. "Hi mwanasikana
anodanana nemukomana wangu.urisei nhai hure.",,, kkkkkk ndakaseka hangu ndakamutarisa kumaziso
apo aiva nevamwe vasikana two vanga vakangomira vakanditarisa. Ndakati hure ndimai vako sha
vakahura nababa vako vakazvara hure iwewe. Mbudzi kudya mufenje hufana nyina. Ndakanzwa
shamwari dzacho dzakangoti. "Ah ah ah ah.",,, ndakabva ndatanga kufamba ndakananga muclass hangu.
Ko ungavadii manager hapana zvaunovaita. Ndakabva ndanogara pasi ndikabvisa pfungwa yehasha
yandakanga ndadyarwa hangu nemwana wefambi uyo Lindsay. Zvinhu zvangu zvese I was just managing
sa manager ka. Ndakapedza zvechikoro. Ndikabuda hangu ndakunomirira Themba. Ndichingonomira
paya paisvikira Themba handina kuziva kuti nhasi Lindy haana kuuya neZi *HAMMER* ndakaona shasha
ichiuya neshamwari dzayo apo aito budisa mudzanga wefodya hake shamwari yacho imwe anonzi
Chiedza achibudisa lighter wena. Zvakaoma mwana uyu zera rake iri kubhema fodya saka avingei
kuchikoro. Ah imari shuwa inovapa kudai. Pese apa shasha yaitokoka hasha. "Hey you bitch get off your
dirty body on my car. Who do you think you are. You called me a bitch and now you come and lean on
my posh car.",,,, yes it was a posh car kamota kake kanga kakanaka kani. Akavava achindinongedza
nechigunwe chepakati ichi chinoti "fuck" chiya. Ndakasuduruka ndakanyarara hangu ndikangoti ah ko
ndini ndakanganisa ka ndatsamira mota yake. Akangosviko isa hand bag rake mumota kwakudzoka
pandiri kwakundidhuma akandidzambidzira nemazizamu ake uku achiti akakweva fodya yake ofuridzira
kuface kwangu ah zvakaoma.,,,"hey whats going here.",,, luck rangu Themba akabva asvika paya
ndakafara kani ndikati abva nekupi hake andiraramisa. Iniwo nemanyemwe ndakabva ndamusandidzira
achinodhumira kunaThemba akabva amubata kuti asadonha ko maburuka mumumango yaaiva akapfeka
ka yanga yakareba saka aiita kutsika nezvingunwe chiko ari mudenga nebhutsu yake zvekuti
pandakamusandidzira aiitodonha chete. ,,"oh thank God ndawira mumaoko chaiwo chaiwo
ndakatozosvotwa zvakapetwa paakaona kuti agamwa na Themba akabva amubata zvinesimba
kwakungomuti pamuromo chaipo mwaaaa. Ndakagumbuka asi hapana wandaigumbukira apa nekuti
Themba akanga atoita kufotwa chaiko. Ndakaona Themba achishatisa face achipukuta muromo wazara
lipstick. Akangomuregedza kwakubva atopinda mumota Themba ndakazviona kuti ashatirwa ipapo asi
panga pasina zvekuiita. Ndakapinda mumota lindsay neteam yake vakasara vachiseka wena. Takafamba
kusvika kumva pasina ataura neumwe ini ndaitya kumutanga Themba iye handizivi kuti aifungawo sei.
Ndichingodzika mumota ndakangoti good night dady i love u. Akasimudza mota akananga kumba hake
Themba.

Samazuva ese ka ndaisambosvika pamba ndotadza kutaura namom ka chero varara ndaivamutsa. ,,,
Maswera sei mom Kwana kurisei kumusika kwenyu nhasi Mhamha... "Kwana kuribho dear. Ko sei
kuchikoro nhasi?"... Kuchikoro Kwakanaka mhamha. Ndakapedza kuita nyaya namai vangu hangu ukuda
ndaitodya hangu sadza. Ndichipedza kurova chinataura hangu. Mom good night. I love you. "Ok Mavie
mwanangu toonana mangwana hanty ka. Ndakabuda hangu ndakunorara ko app pakanga pasisina
ndakaona text yapinda. "Ende wakandigona wena.",,, ndakaseka hangu ndikati muchinyanya kuda
kumisa pfuti dzenyu pasiriipo makazoimisira panemutemo mukaenda kumba. NdiManager ava vakanga
vapunza text. Ndakakanda foni uko kure ndikati handivati ndisina kurava zve. Ndakaverenga 2 hours.
Ndakabva ndavata hangu after prayer.

Morning ndakamuka ndikanamata ndikaenda hangu mukitchen. Kwakuita basa rangu hangu kusvika
ndapedza ndikabva ndatarisana nezvandakanga ndakakumbirira off ka ko kwaiva kudya mabook. Ah ini
kutaura chokwadi ndaiona zvikuru ndairota kure not to became a Manager only ndaitoda kuzoita
director to my own company ndaishuwa to own my own company ehezve. Ko here on earth there is no
limit hey shuwa zvekuti hanzi i am a lady ndine pandoperera thats a lie. A lady can do anything a man
can do. So what i know is that the sky is the limit. Ndakaita busy nemabooks angu big time. Chandaida
panaThemba kana kufona anga asisagoni chaaingoita kuuya pagate ondimirira 10mins before kuenda
kuchikoro and ndaitoziva kuti atovapo izvozvi ndomhanyawoka.

*week later*

Takapedza zama redu wena asi lindsay akanga atondiudza kuti uchanakirwa hako nezvandoda kukuita.
ndikangoti chinouya chinoona ini. Ko papi pacho pandaizotya kununa ini ndakasasikwa ko moyo wangu
wakanga una Themba saka i was very ready to die or to face anytype of challenge.
Ndakazodzokera kubasa ka ko week randakanga ndapiwa rakabva rakwana ka ndakananga kumasasa
kuna G.Manager kunopiwa task yebasa itsva ka. "Hie Mavie how are you.",, am ok General how is
work... Ndakapindura mukura ka ndakapfava zvangu... "Good good Mavie. Wagona wadzoka kubasa in
time wakaoedza kunyora hanty.",, yes ndakapedza makaita henyu makandipa mukana iii Mwari
vakuitirei zvikuru. "Thanks Mavie. So now woenda kubasa kwako. Southerton branch rava rako.
Ndichauya kuzokuona mangwana manheru pamunopedza basa tione kuti unenge uchishanda sei. Last
thing une Driver's license here Mavie.",,, ah handina. "But saManager unofanira kuva nayo. Nekuti in
two weeks mota inenge yavako yako unenge wotoita mufamba ndigere wosemunhu
Mukuru." ,,,Ndakabva ndatoona kuti zvinhu zviya zvakuchinja manje. Ndakangoti ndichaita ndive nayo
license. Ndakabuda ndakananga kubasa kwangu. Ndichisvika vanhu vakanga vakagara panze ko ndaiziva
here kuti makeys andapiwa ndipo pane makeys ese. Ndakavhura paya vanhu zvese vakashamisika apo
ndanda ndakatopfeka dustcoat seraingopfekwa naManager vanhu hazvina kuvapinda Zvakanaka asi
aotanga kubvunza aishaikwa. Talent akazongoita zvivindi. "Ahh Mavie asi wabva panzvimbo yevakuru
vasingagoni kutamba nevamwe zvakanaka ava vakuru vanomisa pfuti yavo nekuti vaona mai chido
vachiyanika towel vachibva mubathing room.",,,, ndochiiko nhai Tale ukutii kkkkk. "Ndikutaura kuti wava
panyanga dzevakuru here ava vekuda kukupfura nepfuti isu vezera rako tichikutadza kkkkkkk." Ah zva
Talent vakomana. Ehe Tale ndini ndavapo. "Dai ukangobatwa nemweya wevakuru vaya utange
nekukubatira pandiri hawo.",,, kkkk Tale kwana apa. Ndakadaro ndichnopina hangu mukati hangu
ndakabanga kuoffice kwangu. Ndakaita Time ndichishaya pekutangira wena. Ndakaona kuti basa riya
rotanga manje. Nguva yecash hand over yakakwana ndakaona vanhu vachiuya nedzimari ndichisigner
zvaingoitwa nevakanga vachangobva tikachaisa. Ndakabva ndafonera Themba nelandline yemuoffice.
Akatoti ndakakumirira panze. Ndakanopinda mumota yaThmba tikananga kumba ko kuchikoro tanga
tapedza ka..... "Saka babe watova neoffice yako so?",,, ehe honey ndatova nayo hanty waona
ndakufonera nelandline ndeyemuoffice mangu iyoyi. Takafara hedu naThemba ko zvinofadza ka. ,,,asi
Themba musikana uya akandisvota kusvika pabhonzo chaipo zvekuti ndakashaya zvekuita hangu aasi
ndakarwadziwa. "Neni zvakandibhowa babe maitiro make ndeepfambi chaiyo. Sha apo aitonhuwa
fodya wena. Ah ndakamboda kumurova ndikaona kuti ndingakuparira. Vanhu vetype iya vanogona
kukutsvakira mbavha ukapondwa.",,,, akadaro Themba achinditsanangurira hake hunhu wetype
yaLindsay. ,,,,,ndakagutsurira musoro hangu... "Chindipa kiss uende hako hny.",,, ah kiss kana Themba
handidi.wakageza here muromo wawakazorwa malipstick naLindsay. Kkkkkkk ndakaseka hangu.,,,,,,"iiiii
amana inga pava neweek nemadays wani nhai babe chiiko newewo. Ummmmm usandidaro kani inga
ndini ndakakudzidzisa kiss yacho futi pooo hny.",,,, ahhh zvaThemba so zvakaoma. Ndakazotsvodwa sei
iiiii ma1 takadyanana zvekuti ndakaenda mumba ndichinzwa dzungu chairo. Ndakatosvika ndikambogara
ndichinzwa kupera simba. Ndakazoti pava paya bengenu kwakutanga kuita basa rangu hangu. Mom
vakazouya ndapedza kubika hangu netwuvanun'una twangu. Kwakudya hedu tichiona hedu African
Movie inonzi *Azima*,, takanovata hedu time time.

Ndakamuka kuseni ndakananga kubasa hangu ndichisvika pabasa ndakamhorosana neteam vamwe
vachingoti Manager vachirevesa vamwe vachiti maybe ifake zvayo asi ndizvo zvaivapo. Takashanda hedu
kusvika nguva yekuenda kumba. ndakaona G.Manager vachipinda. "Welcome General.",,,,, ndakadaro
ndakamira hangu. Have a seat Sir..."thank you Miss Manager. How are you today.",,,am ok boss.
Ndakadaro ko tsika dzebasa ka... "And your work",,,, my work is fine ndakapindura hangu
ndichitovatambidza mabooks avainga vandipa sign yekuti ndivape. Vakavhura zvavo takanyarara pakaita
chinguva vachiita ma culculations ndakazooona shasha yagutsurira musoro nemari yandaiva
ndareporter ipapo pa2days idzi nezvavakaona zvakaita geje geje.

"Yes Mavis unoziva zvaunoita wakakomborerwa now we still have a problem naManager wedu we
*KFCJoina City Branch* haasati akuita zvinhi zviri proper like this.",,,,, Vakadaro General vachisimuka
havo.. Zvikazonzi you Mavie you will do us a very big favour if you can.",,,, ok ndakabvuma ko papi
pandaizoramba............... "I want you tooooooo..............."

*end of chapter.....14*

*Views and comments to above numbers*

We love you all

*Jesus' name Amen*

*CEE &BRAGG LOVES YOU ALL*

[11/05 07:29] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💘💔

WRITTEN BY

*CEE*

&

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

📞+27641791014

+263773774829

Chapter....... *15*
"I want you to go kujoina city and work KuJoina City timboona kuti pane a change ingaitikapo here. Saka
zvatichaita ndezvekuti tikuchinjanisai. Iye anombouya kuno iwe woenda kujoina. So tomorow please
report ku JoinCity." Ndakashama nemashoko ayo. Ndakati iye andisati kana ndatombokwanisa mwedzi
ndakutonzi wagona ndakangoti pamwe vari kuda kundinzwa. Ndakatozoona kuti vairevesa
pavakasimudza foni vachifona. "Hello yes Mr Murape. Its mr Zinyemba from tomorow munofanira
kushandira kuSoutherton branch as you knw that Chivi was fired so ndaikumbirawo mumbouye
kuSoutherton for just one week." Ko zviuya zvirimberi ka. Zvakare ini semunhu aiva paprobation ye 3
months handaikwanisa kuramba. Ko ndaiva ka patest drive semota itsva ichangoburwa. Saka zvese
zvataurwa ini ndaingoti yes Sir.

Ndakazomuda manheru time dzekekuenda kumba dzakwana. Ndini ka ndaifanira kusiya ndavhara shop.
Ndanga ndajaira ka kuti dzangu dzichikwana ndorova zvangu speed ndakananga kumba. Zvino apa
zvazvatochinja. Ndaifana kuona kuti shop yavarwa sei ndobva ndaita end of day mucomputor. Ndakaita
zvese izvi ndokubuda asi ndakawana Themba akandimirira. Dzaiva dzato 8pm. Aive atomboenda kumba
akadzoka sezvo kwavo aipedza na4. "Hesi babe and you look so tired asi chirikurwadza chiminija kkkkk."
NdiThemba uyu aive akutidenha zvake. "Mmm kana dear. Tisu tichaneta zvekumhanya here isu. Isu
taamagogodera remember takabva kure isu tozoneta nekungoona kuti vanhu vari kuita sei ndakagara
hangu. Kwete ndaramba." Ndakapindura zvangu but chiso changu chaisava nemufaro wemazuva ese.

Ndakambogara ndakati zii zvekuti ndakatozoita zvekuvhunduka Themba ataura futi. "Ah Themba sha my
*GM* vati ndimbonoshandire kuJoiner City for one week. Anzi manager weikoko ndipirongi chaiye. Anzi
ari kuzora big time. Manje zvino ini chikundinetsa ndekuti ndangoo nemadayshandina kana mwedzi asi
ndakutonzi ndiende ikoko ndinogadzirisa. Hauonewo herekunge varikundisetera?" "Kana babe handizvo
ba semunhu mutsva mayb they just want to see kuti how flexible are you. Unotozoona pamwe uchinzi
umbonoshandira kana kumapiripiti uko. Vane vachingoda kukusampler babe saka dont wory too much.
Iwewe tamba iri kurira handiti. Even vakakuti *jump* iwewe unongoti *how high* ndozvinoitika
mumabasa. Just like uchitsvaga basa hanty unongoti *RR* kureva kuti rese rese. Naipapawo show them
you can work even ukaiswa out of town babe. Ndakabva ndatonzwa kusununguka. Ndakabva ndazvituka
kuti ko sei ndisinawo kuonawo sezvandakuoneswa naThemba izvi.

Ndakaramba ndakamutarisa achitaura uku ndichingonyemwerera. "Waita hako swty wangu. Ipapa
mupfungwa manga makungopishana pishana. Ndosaka uripo iii chidriver tiende kumba tarisa time
dzaenda." Ndakadaro ndakutarisa time pafon yangu. "Ah ko dzaenda kupi futi ah ngadziite stead
ndikuona mukadzi wangu ka ini dzine majeolous nhai nhai." Akadaro zvake achisimudza mota Themba.
Nechinguva chisipi taiva tato pagate pedu. Takaonekana nematsvodi semazuvs ese ini ndokupinda
zvangu mugate. Ndichangopinda mugumbeze kuti ndichirara yakauya message yepa app kubva kuna
Themba. Ko umwe aigova aniko yatova garoziva kuti amai ndiye mukadzi wababa. "Babe kana wava
ready mangwana you can just hala at me hey. I will drop you to your new work place. Mu queen
haakwiri kombi kuenda or kubva kubasa as long as Im alive. Sleep well my angel.

Ndakabva ndasekerera zvangu ndikazopindurawi "morara mushe daddy ndichakuudzai kana ndava
ready" ndokubva ndaisa foni pacharger kwakupinda zvangu mugumbeze.

Kwachena ndakagadzirira ndokuudza mhamha zvaivepo asi vakabva vati vanoda tinamate ndisati
ndabuda. Takanamata zvechokwadi ndokupedza zvedu. "Unoona Mavie mwanangu. Hakuna mushonga
unokunda ibvi rako iri. Mwari ndimwari anenzeve ende anopindura. Ndinoti nyasha dzake dzive pauri
nekusinga peri mwanangu. Chienda zvako unoshanda unovaratidza zvese zvaunogona. Ndinotemba
newe mwanangu, ova nezuva rakanaka." Kwaiva kuita kwavo mhamha kundiudza mashoko ekurudziro
nguva dzese.

Ndakaisira mudiwa wangu message ndichimuudza kuti ndapedza. Pasinawo nguva anga atosvika.
Akairova mota ndokunondisiya kuJoina.

Ndakatosvika Gm vatovapo kare. Vakapa introduction kuvanhu vese vaivapo kuti ini ndini ndaizobata
ndiripaajoiner zvekanguva kadiki. Vakazokwidza neni upstairs vondiratidza office yandaizobats ndiri. "So
good luck Mavis

May I have makeys ekuSoutherton ndanga ndaudza Murape kuti ndichamuendesera those keys.
Zvakare u should start your driving lessons as soon as possible. Enjoy your work Mavis." Vakabva vabuda
zvavo GM ndokuenda.

Ndakasara ndokumbogara pasi ndichifunga ndinotangira papi. Ndakadzika masteps kwakupinda


mushop. Ndakatarisa vanhu ndikaona a macleaners akatogara zvawo pama chair emacustomer
arikurova zvawo chikuwe vachirovana mako vachiratidza kufara zvavo. Ndakatarisa nguva pawatch
yangu yandaiva ndakatengerwa naThemba ndikuona kuti nguva dzekuvhura dzakuda kutokwana.
Ndakabva ndasvika ndakasunga face kuti ka zvityise semukuru webasa. Achangosvika haungosviki
uchinzhinira vanhu ka

"ehhh vasikana ngatizivei zvatafambira pano. Lets clean up time dzekuvhura dzaakukwana." Ndakaona
vese chava chipata pata umwe neumwe panzvimbo yake. Basa rakarohwa shop ndokuvhura.
Ndakazotendererawo ndokuona kuti ah musha waiva netsvina zvawo iwowo kubva kukitchen kusvika
mushop macho. Ndakanadaidza anonditeedza pabasa ainzi Mike. "Mike mubasa muno haa mune tsvina.
Ini hangu netsvina takarimirana muganhu. Zvekare macustomer haadi kudya pane tsvina kudai you lose
customers nezvinhu zvisina basa. I want you to arrange for a night shift. Vanhu vanyatsocleaner pasina
madistubances." Ndakataura ndakaita kumutarisa kumaziso zvangu.
"Yes madam boss your wish is my command" akadaira andina kuziva hangu kuti airevesa here kana kuti
aitoita zvake majokosi. Ini ndakangoti amheno ikoko chero zvandataura zvanzwikwa chete ndokuenda
zvangu ku office. Nguva dzevanhu dzekutanga kuenda kumba vakatanga kuuya kunosiya mari. Ndakaona
Mike ari aiye aiita zvese zvinoitwa. Nechemumoyo ndikati henaro thats why Murape ari kunzi ari kuzora.
He is not involved munyaya dzecash hand in nhai. Ndakabva ndati "Mike you can go zvako thats my
duty. You only do that when Im around ndikuita zvangu zvandoziva. Takazovhara zvedu kuti tiende
kumba asi mukati makasara vaya vaizorara vachicleaner. "Imi vari kusara mangwana pandinopinda
ndoda kuuya muno makachena ndoda kuti ndikakukandira chidya chehuku pasi apa unochinhonga
uchidya kwete kuti unochinhonga osema kuchidya" ndakabva ndabuda hangu ndikutonowaana daddy
Themba vakandimirira.

"I hope hauna kumira kaakare waswera sei mudiwa.?" Ndakadaro ndichinopinda mumapapiro zvangu.
"Ndaswera babe ndichangosvika how was your day paJoina apa minija minija?" "Kkkk ah ko zvaune
watokanganwa zita rangu nhai murume iwe ndinonzi mai Courtney ini ndikunzwe futi uchiti minija
ndokutsunya nzeve idzodzo." Ndaive zvangu ndotamba nechimwe changu. Mota ndokusimudzwa
ndokuenda zvedu."sha I hope that Lindsay haana kuuya futi achikunetsa nhasi. Ndakakavenga zvekuti
kamusikana kaye. "Nhasi haana babe and dont worry about her ini ndiri wako dear. Buy the way
takambotaura zvekuti tinoona my parents handiti. I will arrange for that tigonovaona vamboonawo.
Minija uyo akaba moyo wemwana wavo." Akadaro achimwererera zvake mwanakomana wevanhu."
Ndakazongodaira ndichimuti aizongondizivisa kana ava ready. Ndakasvika pagate ndokuburuka
ndakaona Themba achinditambidza tumabook. " oh babe mabk aya unoverenga imwe iyo ihighway code
kana wanyatsiverenga let me know ndinokubooker unyore provisional handiti." Ndakatambira
ndikumutenda. Ndakatenda mwari nechemumoyo kuti vanhu vese vandaiva navo miupenyu hwangu
vaindishuwira chese chakanaka.

Ndakafamba ndikupinda zvangu mugate. Ndakazongopinda mugumbeze hope ndokundishanyira


ndakavarairwa ndakatozoita kupepuka pakati pahwo husiku ndikatarisa time ndokuona dzatova kuma1
ndakabva ndati regai ndirave tubook twangu twandaive ndapihwa naThemba. Ndakazobva ndachirara
ndokuzomuka mangwanani ndakananga kubasa. Themba akandiperekedza sekureva kwake. Ndakasvika
ndikanovhura zzvangu shop. Ndakaona makachena zveshuwa vanhu vaive vashanda."ah this is good
guys keep up the good work." Ndakadaro ndichikurudzura vanhu vaive vashanda zvainwisa mvura."
Maita henyu medhemu ende ndimi mega pano hatizgizive isu zvekupembedzwawo kana tagona basa
isu. Tanzwa nekugaro tukwa chero wega uchinyatsiina kuti apa ndagona." Vakadaro vamwe mai
vaingonzi mai Mhlanga nevanhu. Vaiva vahombe kwandiri by far. Ndakantemwerera zvangu ndokuenda
ku office. Ko ini ndaiziva kuti vanhu havangoitwe rough esp kana uri mukuru webasa nekuti
vanokusetera ukasachenjera.

*two days later*


General manager ndakavaona zvavo vachipinda ndakabva ndamhanya kunovachingamidza zvangu.
"How are you boss" ndakadaro ndichitambanudza ruoko rwangu. "Ndinofara Mavis. Mmmm ende your
shop is very clean urikuzvigona sei. Vanhu havasi rude here kwauri." Akabvunza mukuru.

"Ah so far so good sir no complains" ndakadaira zvangu. Vakabva vazoti vaida kuona paper work yangu
yemadays andaive ndashanda iwayo. Ndakaenda navo ku office ndokubva ndavapa mafiles acho .
vakatora calculator yavo ndokurova maths dzavo ini ndakagara ndakabata rushaya zvangu. Vapedza
ndakaona shasha yogutsura musoro. Yakabva yanditarisa ndokuti. " you are doing a good job Mavis keep
it up I think iwewe ndiwr unofanira ku........."

End of chapter

*CEE N BRAGG LOVE YOU ALL*

Your comments please.

[11/05 07:29] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💘💔

*CEE*

&

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

+27641791014

+263773774829

Chapter,,,,,16

AH,ko ndaimboziva here kuti ndingangokaruka ndonaiwa nemashoko epembedzo kudaro ndakapedzisira
ndongoti shuwa ukaita zvakanaka unenge uchizviitira chokwadi. Ko dai ndakabvuma kubviswa
humhandara neiyo baba iya isinganyari yaingomisa pfuti yayo nepasina hondo ndaizowanei hangu.
Ndaingowana kuzadzwa tsvina isina zera neni chete. Ah manje vakada kuridzira pfuti yavo panemunhu
asiri iye. Ini ndaitotarisirawo kuti kana Themba oda kuridzawo yake pfuti aridzire pamhandara yake
manje yooo ,dai ndaiva mumwe musikana asingadi kuona mari ka maiwe zvangu,nekuti kune vamwe
vasikana vanoda kuti dai mari yangopinda nepano chete ah kuti uri Bank here mumaBank
ikatozoshaikwa wani. Ndakabata basa paJoina City zvekuti kana GENERAL MANAGER vakapa kutenda
chaiko. Ndakazopedzisira ndotodanwa kunzi murongedzi mumiri wepakakoromoka. Ndakazoita mazuva
anenge matatu after kuuya kwa GM vangu ndichirova basa like ndiri kushanda ndega. Ndakazoti rimwe
zuva Mike huya pano.,,,, ‘’matii madam boss’’,,, hona ka Mike chandinoda ini kushanda nevamwe
zvakanaka hatidi kuti munhu kana ari kubasa aite se ari kuJeri ita vanhu vashande vakafara vafarire
kubasa than kumba so I need a meeting nemunhu wese mangwana kuseni before work ok. ,,, ‘’sekureva
kwemukuru webasa zvanzwika Madam,kuda kwenyu ngakuitwe as long kuchiita kuti basa redu rifambe
chete maam ndichazivisa vanhu nhasi tisati taenda kumba.,,," akadaro Mike akafara
hake.,,,,"ndinokutenda Mike itahako basa rako." Ndakasara muOFFICE ndichiita basa rangu ko mabooks
aida kugara akarongeka ka. So ndaitogara ndiri busy,ehe ndini Manager hangu asi ndaishanda sekunge
GM vakanditarisa,ko ndizvo zvinoda basa ka unofanira kushanda sekunge urikutonzi hey hey ndokuti
ubudise zvinhu zvinokupa ramangwana rinokufadza iwe not anyone else. Takapedza basa vanhu vakauya
nemari ndikatanga kuita maculculations angu ndakaona a big difference between zvanga zvakushandwa
these days than zvaimboshandwa pakutanga. Ndakapedza tikavhara ndikabuda hangu samazuva ese zve
accountant vakanga vatoparker panze zvavo vakandimirira. Ko Themba pakuita zvaanenge avimbisa ah
ndaisamutyira hangu aiita sezvaareva everygv day aitoona kuti shuwa Madam vaya ndakavati
ndichikutakurai kusvika zvanaka saMadam hamufaniri kukwira kombi ko aizvitadza nepapi ko
pandaienda kuchikoro aizvigona wani. Takakwazisana hedu tikarova road takananga kumba hedu
sevanhu vakanga vava nemazuva tichidanana ndakanzwa shasha yatanga imwe nyaya.,,, “honey ehe
Tete takavaona and mom vangu tiri kuenda kunovaona asi kumba kwangu chaiko hausati wakuona
ipapo manje iiiii amana musadaro saka unoti ndotsvairirwa naniwo amana. Ok kutasvaira haisi nyaya ko
kuwacha hako ndongoramba ndichipa Kudakwashe here musikana wepanext door pangu.”,,,," kkkkkk
Themba ukwane ko kudemba kwabvepiko ko kungoti Mavie ndoda uuye kuzondiwachirawo unofunga
zvingashata here izvozvo,kana ndiri free ndinokuudza kuti ndinouya kana ndisiri ndongokuudza kuti
tozviita rini.,,, "

"ah babe semunhu waManager ka kunonzi kukwira gomo kupoterera kani sorry Madam.”,,,,akadaro
Themba achisekerera hake akanditarisa., "hona ka Themba sha ndiri Mnanager kubasa not kumba,kuno
ndiri Mavie wako not Manager wako. Ndingaita kufamba nebasa muhand bag kunge malipstick nemalip
gloss here,kkkkk musadaro dady."

Ndakaona shasha ichiswededza muromo pedyo ndikatoona kuti potodyiwa munhu pano. Ko ini
naThemba taisadya mari zviya zvinonzi pakadyiwa munhu pachitaurwa kudyiwa mari,pedu paidyiwa
munhu achidyiwa muromo.

“Right,honey mangwana ndinoda kuti ndikanokusiya kubasa ndodzoka kumba ndorongedza hembe
dzakasviba padzo dzega, unongoziva sebhachura ka zvinongosanganiswa ikoko,so kana ndadaro
ukawana mukana paweekend wozouya towacha tese hanty.’’,,,,, "ok babe its fine."
ndakabvumirana nezvakanga zvataurwa nemurume ka sababa ka ndaitofanira kuterera. Ndakazobuda
mumota ndakananga mugate medu hangu ko ndanga ndasuwa vafana vangu vandaingosvikira varara
mazuva ese.manje musi uyu ndakanga ndati kasikei ndakasvika vakasvinura ko kubasa ndini mukuru ka
saka KFC yevafana vangu yaivapo zvayo. Ndakatozodya hangu sadza mom vanga vatobika kare.

"Ummm mhamha ka ndinoda kuita maleasons eDriving andaitaura paya so that ndikwanise kupiwa
yangu mota yekushandisa hangu."

“hazvina kushata masibanda mwanangu ko izvozvo ndiko kuti hupenyu zve,itoshingirira mwanangu
hona vana vakasiiwa nababa vako ava kutokura uku vanodawo kuenda kuchikoro seuyu mudiki uri
kuzvionawo kuti next year anofanira kuenda kuchikoro saka kana vava two ndega handizovakwanise.so
kana ukaramba uchisimudzwa naMwari kudai shuwa zvinofamba zvakanaka.”,,,

"Aiwa mhamha musatya Mwari mukuru rangarirai SOLOMONI mubible achiti MWARI wandovakira
church iyi akakurisa zvisakamboonekwa,kana ivo vana vaISIRAIRI, vakangoona kupenya kwaMWARI
vakatya wani saka MWARI wedu mukuru and haashanduki zuro nhasi namangwana. Kana mukatarisa
paya GEHAZI muranda waERISHA akakumbirirwa na ERISHA kuti MWARI vamusvinudze meso aone kuti
vari kwatiri vazhinji kudarika vari kwavari. Saka handityi and handivhunduki. Even in Bible mune 365
verses dzinoti musatya so pa365 days bible rinotipa 1verse inoti musatya saka hatina chekutya
mama,vanun’una vangu vachadzidza kudarika kana ini chaiye. Ndoda vave maPROFESSOR amangwana
kudzidza kusvika pakasvika ana ZVOMBWO.,,,," ‘’AMEN’’,,,vakadaro mom,,,, “wataura mashoko makuru
mwanangu saka kubva nhasi handichatyi hangu ndakuziva kuti mwana wangu akaterera kuraira kwamai
vake akaziva nzira yandakamurovedzera ini mai vake. I love you mwanangu MASIBANDA urambe
wakadaro MWARI unewe mwana wehumhandara hwagu.”,,,,,

Takazopedza kutaura namom hangu vafana vanga vatozvimbirwa vatorara kare ,ndakananga mumba
mangu haku kunovata ko dady vakanga vakatisiira hedu imba yataisabhadhara rent ka saka zvaive nani
hazvo. Ndichingopinda mumachira ndakati handivati ndisina kumbonzwa voice raivo ka baba vekwangu
ah,ko rudo runotapira kana uchidanana nemunhu chaiye.,,,,

"hello dady asi manga matorara here.,,," akapindura hake Themba and aaaifara zvisina akamboona
hake,ndakatoshaya kuti anofarirei.,,,

"ko kwakanaka here kufara kudai nhai baba. Kkkk ah Themba ukwane shaaa ahhhhh amana ungafarira
kuti ndakufonera here amana kkkkk usadaro iwe murume iwe, ahhhhhh ibvapo ndambokuudza kuti
handisi Manager vako.,,,, "

takaseka hedu tikazoitana ka iwawo magood night akati kuuya aya,ndakavata hangu ndichida kuzomuka
ndoverenga since ndakanga ndoda zvekufamba nemota wo ka saka ndakanga ndakuita serious
nekuverenga.

Ndakavata hangu ndokuzomuka kuma3 ndorava hangu asi ndakanga ndakutodzokorora coz ndakanga
ndakunyatsonzwa kuti ndava shasha ko kana maQUESTIONS ndaitoita ekuona ndakapasa
kare.ndakamuka kuseni iri friday ndikaita basa hangu ndikazoudza Themba kuti
ndapedza,hazvaimutorera nguva kuti auye kuzonditora tikananga hedu kubasa ko ndainge ndatova
wekuJOINA CITY ka. ,

“babe saka nhasi unopedza nguvai.” ,,,,, "ahhhhhhhhhh nhasi na1 ndinopedza coz nhasi GENERAL ndivo
vachavhara coz nhasi Friday vanofanira kuita roll up the books kuti titange rimwe week zvakanaka."

" So ukauya na2 zvinoita.,,,,,," ndakapindura hangu Themba ,akangozoti ,,, “bye I love you MASIBANDA.
Akabva aenda hake ini ndikasvika paya vanhu vese vakanga vatovapo since ndakanga ndataura zvekuita
meeting navo.,,,, ndichipinda yaingova,, “morning MADAM” ,,, munhu wese aingodaro ko ndaizvinyara
ka ko ndanga ndisati ndazvijaira ka.,,,,

" ok thanks GOOD MORNING EVERYONE. Ndakapindurawo saBoss ka.Right guys we all here in
time,ndakakukumbirai kuti mukasike kuuya sure we have somethings to discuss together as a team ok.
Nyaya iripo ndeyekuti sure we are working so nicely,kubva ndauya pano handisati ndaona problem
yakakura kungotiwo, pane vanhu vakawanda hapashaikewo twuma problems twushoma
twunokonzereswa nekusaziva saka nhasi ndati ndati timboonesana tiri tese pano. Nyaya huru munhu
wese must know and respect your position of work,ungava uri Cleaner,Till operator meaning
Cashier,cooker anyone else pa this Company please respect your position and farira basa rako make sure
u do your job properly panzvimbo yako.tikadaro chete takunda ndinoswera taakukumbira vakuru kuti
masalary awedzerwe., ,,,,

kwakwakwakwakwakwa maoko akarohwa ipapo ndikambonyara chinguva ndichimbopa vanhu mukana


wekumbofarira mashoko ekuwedzerwa kwemari dzavo only in one condition yekuti vaakagona basa
chete.,,, ‘’so Manager munoreva here kuti tikashanda zvinokufadzai mari dzedu dzinoti wandeiwo.”,,,,,,
definitely thats what I mean batai basa zvakanaka muone chinonzi kushanda zvakanaka nekuti munhu
wese is here for money,so if you produce a good result ,you will also get a good salary and you must
know that you can only be proved of doing an excellent job by me your Manager.so what you have to do
is to prove yourself to me and then I will recommend you to the bosses so that you will get what you
need kuti uchengete mhuri. Are we together guys. ,,,"

”yes Maam tanzwisisa we will do so for you and for our COMPANY ok, once more Madam you are
different kunevamwe vakuru vatashanda navo pano,isu vamwe hedu anamai Mlanga hataitomboziva
kana mavoices evakuru vedu,asi imi mandishamisa kuti munototaura nesuwo zvedu ummmmm thanks
we are now blessed kuva na Boss vanemweya webasa not wekuJeri wataiitirwa nevakaenda ava.”,,,,

"kkkk its ok mother,,," ndakapindura mai MLANGA hangu ndakutokwidza hangu masteps ndakananga
kuOFFICE kwangu.,,,

" I forgot to tell you guys,"

ndakadaro ndodzika hangu kudzoka kushop. "Guys Iforgot to tell you that Ilove you all.,,, "

“we love you too MANAGER AND GOD BLESS YOU.’’,,


ndabva ndatanga kukwidza hangu padenga ndichinyatsonzwa kufara hangu neTeam yandakange
ndoshanda nayo paJOINA CITY. Musi uyu pakashandwa zvekuti kana neni ndakanzwa manyukunyuku. 1
oclock ndakaita mabooks angu since ndaizoda kusiira GENERAL MANAGER. Mike akauya nemari yese
yakangayaitwa apana kana neni ndakapa kutenda hangu kuti shuwa nhasi kuita mari yakafanana
neyatinoita Monday. Kozvaachiri masikati ko panozovira zuva. Ndakasekerera ndikati ini ndinoenda
nenyika saTOCKY chete. Ah musi uyu ndipo pandakabvuma kuti mushandi ndi mambo shuwa akangofara
chete zvinhu zvinofamba.

13;30 ndakaona GM vachipinda havo. ‘’titambire GENERAL mabva masvika henyu.,,,"

ndakadaro ndichipa mukuru pekugara ka ko ndokuti maSHERRIF ka.,, ‘’Ah thanks Manager ririsei basa
renyu pano so can Ihave your books now kuitira mukasike kuenda henyu.’’ ,,,,

vakadaro GM ndikavapa mabooks angu vachiita havo maths ndakaona shasha ichirova maoko. Yakabva
yatora foni kwakubaya baya isina kumbotaura neni.,,, ‘’yes Boss how are you,yes its me General
Manager.yea Iwant to report something happened here today.’’,,,,ndakarohwa nehana ipapo ndikati
nhasi zvangu basa rapera pakufonerwa vakuru varidzi veCOMPANY hey pakaipa,ko ndakatoziva kuti
varidzi veCOMPANY ka pakanzi boss and chirungu ka coz vaisanzwa shona ka vatori muXHOSA zvavo.
‘’ok there is that lady our new MANAGER, yes SIR Mavis, she is doing something different,I can say now
here in ZIMBABWE she is the best MANAGER,she is changing every thing, even her sales records are very
high. I cant even say it to you ummm am very happy too. Ok sir,its ok boss,yes sir,ok ok ,ok. Am on it sir
thanks ok have yourself a fantastic day SIR.’’,,,, Ndakaona shasha ichibaya baya foni isina kutaura neni
apo ini ndakanga ndotourawa necuriosity hangu ndakutinzwa kuda kuziva zvirikuitika. , ‘’hello yes* KFC
GENARAL MANAGER* yea I wanna talk to your MANAGER. Ok thanks I can hold. Pakaita kanguva
pakanyararwa hapo ndaichingonzwa moyo hangu. ‘’yes how are you *CROCO MOTORS MANAGER*
Thats fabulous i need a *TOYOTA HILUX DOUBLE CAB* yes please. Yea let your boys do their job yes
write it the whole body,yes it is for our MANAGER kkk you can say it again,ok Manager thanks, will come
and collect that car on Monday,yes bye.’’,,,, ndakavhunduka ini coz mota dzandaiziva dzaifamaba
nemamwe maMANGER ka e KFC ndeidzi ka ma *NISSAN NP200* ndakashamisika kuti ndiMANAGER upi
ari kutengerwa mota yakakura kudaro.

‘’hona MAVIE ka you are so good to work with haupi stress hey dai ndangowana vamwe vaviri vakaita
sewe ndaimbozorora hangu.so ita utore chitambi nekuti vakuru vangu vati hazvina kufanira kuti urambe
uchikwira mataxi ok.so vati uite chitambi and ukaita maleasons chitambi unotoreswva nebasa, so be
serious MAVIE enda hako kumba toonana neMONDAY ndinouya pano kuseni ndichikuona ndikatadza
ndichakufonera.’’,,,, ndakabuda ndikananga nemushop vanhu vese vakabva vangoti ,,, ‘’bye maam’,,,
bye guys see you on Monday ok LOVE YOU. Ndakanopinda mumota Themba kuzoita se akanga fembera
kare. ‘’babe wanga wakutononoka so ey ndanga ndatobatikana kuti mari yangu yoenda mahara sure
here.’,,, mari yeiko nhai wangu.? ,,, ndakabvunza ndichitoshamisika hangu. Ndakaona shasha neni
kuBELVEDERE kuVID,, ah ndakashamisika tichisvika paya kwakutonzi wanga wakutononoka 5mins left
kuti utange kunyora PROVISION. ndakarohwa nehana zvekuti Themba akazviona akandisimbisa.,,,
‘’zvawakaverenga ukanzwisisa ndizvo zvinouya mutest yacho so ndiri kukumirira hako usatya unobuda
watotora yakapusa iyi.’’,,, ndakanogara pachair ko maiva nevasikana vakawanda ka ndikabva ndapiwa
mapaper acho kwakutonzi start writing.,,8mins dzichipera kwakutonzi stop. Kwakutoudzwa kunzi kana
watadza 3 zvafa kwako. Ndakamakirwa ndikaona oooohh my GOD ndakafara ndaita 23 out of 25.
Ndakabva ndatonzi makorokoto oyi provision yenyu,, ndakabuda Themba akanooina nemufaro kuti
shasha yapinda iyi. Ndakangosvika ndichimuramwira kaProvision kaya eeyy Themba akafara zvakapetwa
kaviri chaiko. Kwakutobva abuda mumota kwakundipa makeys aka kana kumutsanangurira zvaitika
kubasa handisati. Ndakatambira makeys ndikati
k,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,ko,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,

*END OF CHAPTER ,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,,16*

*CEE & BRAGG LOVES YOU ALL MWAAAA*

*VIEWS AND COMMENT ON ABOVE NUMBERS*

[11/05 07:29] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💘💔

WRITTEN BY

*CEE*

&

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

📞+27641791014

+263773774829

Chapter....... *17*

"Hezvo nhai Themba unogondipa makey ini anditombozive zvinofamaba sei ini ah nhai"

"Ah ko pane akazvarwa achigona kudriver here nhai. Gara apo tione tiisirei belt zvedu madam driver
apa. Mutsai mota tione tokudzidzisei zvedu isu. " Ah ko mota ndaigoziva unotsika papi here ko kwedu ka
taisava nemota ende kubva nditange kudana naThemba handina kana zuva rimwe randakaitawo shungu
dzekuti andidzise kudriver. Asika ndaifanira ka kutogona ndotora chitambi nekuchimbidza nekuti bango
rangu raiuya very soon ka richibva nechepaCroco motors apa. Ndakaimutsa mota Themba chake aingoti
tsika icho bata icho ndikatoona ah shuwa mota yakafamba ka iyi. Taakupinda mumain road Themba
akazoti ndichimupa achidriver iye achitya ndingangobonderana nedzimwe.

"Saka babe nhasi ndoenda newe ka kumba kwangu onokuona handiti wakati zvinoita here masibanda
wangu."

Akabvunza zvake Themba.

"Ehe its fine ndobva ndangowacha dzinozosararawo dzichioma unozochisawo mangwana."


Ndakapindura zvangu mudiwa wangu. Ndaidawo zvechokwadi kuzivawo panogara munhu
wandaifambidzana naye. Anogona kurwara apa ini ndisingakuzive ndomuona sei? Ipapo ndakazvishora
zvangu. Asi imwe pfungwa yaiti kumba kwemukomana akuendwi ko ndikabatwa ndozviudza ani. Ah but I
trusted my Themba haangambodaro. Mupfungwa mangu maingopishana.

"Ah thanx babe so rega tibva tangodarika nepa Texas tibva tatsvaga muriwo ini nhasi ndombobikirwawo
namadam boss kkkkk" akadaro achiseka zvake Themba. Takanotsvaga hedu muriwo ndokubva tananga
kumba kwaThemba. Takasvika zvedu ndokudzika munota ndokubva tapinda mumba.

Kaivawo kacottage kechibhachura chaiko.

"Ndipo pandinogara pano babe. Feel free zvako mumba mako muno. Nhasi ndambonyeperawo
kutsvaira sezvo ndandichiziva madam boss vachagona kusvika havangazoonewo ka muine marara. Asi
pakashata mongosotawo handiti mai Courtney" akadaro Themba achizvikanda zvake pasofa.

"Ah pakanaka dear so chindibuditsira hembe dzacho ka ndibva ndangoita get busy kuchiri kuchena.
Manje unotozonanika mangwana hanty dzikarara panze dzinobiwa pamwe hakuna hako mbavha kunge
kumaraini kwedu."

"Haaa kana kuno hakuna mbabva uku dzimba dzekuno zhinji ndedze ma CID saka haaa vanoridza pfuti
havamise. " akadaro zvake Themba achipinda mune imwe room isiri yataive tasvikira ndokubuda aine
washing basker yaive yakazara hembe. Ndokunditambidza. Ndakabva ndamuti andiratidze lekuwachira
nepekuzonanikira.

Ndakabuda panze ndokurova zvangu washeni iye Themba aive akaita kumira paside pesink nyaya
dzichitsva zvadzo. Ko aisada ka kugara kure neni aitoda kuti pandiri ndipo paariwo kuita Soro naMutsai
chaivo.

"Iiii mai mwana munotogona kuwacha kudai regai ndichiita zvechimbi chimbi ndipe mai Mavie
twekwavo nditore mukadzi wangu. Ndizororewo kuwacha ah kuwacha kunorwadza babe." Ndakaseka
zvangu" hehede saka ini ndini ndisingarwadzise nekuwacha here Themba ita mushe manje ini
nendichitoda kuwachirwawo newe kaini"

"Ah imi vakadzi hamurwadziwe matojaira ko hanty ndokuti amai here. Iwewe ndokukuwachira kana
uchirwara chete but kana uri fit haaa bodo handiite. Asi ukanyatsondinyengerera ndogona kuwacha
zvangu."

"Ah kubva ndotongoti ndikaona hembe dzakuda kuwachiwa ndobva ndatorwara kuti uwache chete."
Ndakadaro zvangu ndichida kumunzwa ko kana muri murudo munongotaura ka zvese zvese. Nguva
ichitoenda. Ndakazopedza zvangu kuwacha ndokunanika.

Zuva raive ratopinda muna mai varo. Takabva tambinda mumba ndokutanga kubika zvangu sadza. Taive
tatenga ka T bone zvedu. Ndakakapisa pisa mumafuta zvangu. Ndakazopakura ndokutanga kudya zvedu.
Takadyora mundiro imwe chete zvedu tiri murudo naThemba wangu. Tapedza ndokubva ndasuka
ndokuchizoti Kuna Themba.

"Yea zvaita chindiperekedzai kumba daddy."

"Ah ko nhai masibanda, ukuda kubuda usina kuona mubedroom munorara Themba here. Ngatipinde
ungoonawo pamwe ungatoonawo zvingada kuwedzerwawo imomo. Ko isu pachiboys hatinyatsozvizive
kaisu."

Akadaro Themba uku akandibata ruoko achitondidhonzera mubedroom make. Ndakapindamo ndikaona
kuti mamuinewo order pachibhachura zvaiva bho.

"Yea ndamuona dear but ah munoda kuti nditozokutsvagira mabed covers akanawo kuti muonekere izvi
zvekungongowaridza magumbeze ega azvizoitewo ka nhai Mr Accountant"

Ndaive ndoseka zvangu nemumwe wangu. Zvaisambomubata nekuti taive tajairana zvedu.

"Handiti urikuona ndosaka ndati pindawo uone babe. Manje manje munenge mava medu tese babe.
Imagine waking up one day uchiona ndiri paside pako and ndobva ndati *good morning masibanda
wangu*"

"That will be great my love" ndakapindura uku ndichifamba ndakananga nechekumadziro. Kwaiva
nepicture frame yandaive ndaona kumadziro ikoko yairatidza kuva iine picture yemunhu kadzi

Ndakaramba ndakatarisa kuti ndione kana ndaiziva munhi uyu.

"Ndivo mhamha vangu Mavie dnt worry tinonovaona soon ndaona waita kuzoomer chaiko. Wanga wati
isimbi yangu ka. " chokwadi ndaive ndatofungira zvisirizvo. Ndakazoona kuti zveshuwa anga ava munhu
ati kurei zvekuti hazvingarambike kuti vaiva mhamha vaThemba
Ndakazoona akufamba achiuya kwandiri ndokusvikomira padhuze dhuze neni. "Babe ndiwe wega and I
promise to love you only nt anyone. Thanx for coming kuzoonawo pandinogara ndafara Mavie. Ini
ndokuda ndese babe. Saka usatye zvako. Handingamboise pic yeumwe musikana mumba mangu muno.
Pic yandichaisa apo paside neyamhamha ichange iri yangu newe. Tiri zvedu mumambure babe.
Urimuwhite gown remuchato my love." Akadaro Themba uku achindimbundira. Akabva atanga
kunditsoda zvake takatsvodana semazuva ese. Ndakazoona zvakuita kuenderera ndikati haa rega
ndimbomira ndione

Plus ndaivimbawo neumwe wangu. Taive takavimbisana kuroorana first. Ndakatozoona kuti zvanya
Themba aive akutoda kundikumura blouse rangu akuda kutoisa maoko muhembe mangu.

"Ah Themba stop please stop it" ndakadaro uku ndichimusadzira kuti andisiye ndokubva ndatanga
kupopota.

"Ah ukuda kundibvisa hembe uri kuda kuita sei. I trusted you but from now andichakwanise kukutruster
ini. Undione ndichiiuya pano futi" ko ini mai vangu vakanga vakandiudza kuti hembe dzemusikana
dzinobviswa chete kana aakunogeza. Saka zvino Themba aive oda tigeze here. Ndaka ndakapihwa
mutemo wekuti ndisatendera munhu rume kuti asandikumura heme asati andiroora pamwe nekuchata.
Saka ndaitoteerera mashoko amai vangu aya zvakare aigara ari mumoyo mangu. Ndakabva ndabuda
mubedroom muya ndokunogara mudining pasofa.

Uku muromo ndaive ndaisa mumhuno chaimo. Ndakaona shasha yanditeera. Aive akuratidza kunyara
nezvaainge aita.

"Sorry babe andizive zvii zvazvakundibata. Forgive me my love it will never happen again I promise
usanditye hako.

"Hapana apa kubatwa kwekudii uri une mudzimu here iwe unoita kukusvikira wekuti ukakusvikira
hauzive zvine zvaitika nguva yaune wasvike. Wanga uchida kundiita sei ipapa hanty wawakundibvisa
hembe apa. Asi ukundiona sepfambi ini"

Ndaive ndoita mashoko akurutsa chaiwo. Ndaive ndatsamwa pachokwadi nekuti aive oda kuputsa
zvataive takawirirana. Iyewo kubva tidanane aive asat amboona ndakatsamwa kudaro saka akatoona
kuti chakachaya.

"Aewa chirega kudaro babe please just understand. I will never do it again I will never break that
promise we made. I love you so much babe wangu....."aive oda kundinyengerera but aive atoona kuti
ndaiva ndakatsamwa zvekuti.

"Ink ndakuenda osara zvakanaka"


Ndakadaro ndichitora handbag yangu yaiva iri patable ndokubuda panze. Ndakaona akuteera
achimhanya

"Mavie please usadaro une wandiomesera sha. Chirega ndinokusiya kumba I knw you are angry but
please find it in your heart to forgive me. Now hona kwadoka apa urikuda kuenda wega. What if
somthnh happens to you swty

Please pinda mumota ndinokusiya kumba

"Hapana apa wakuda kuita as if you care iwe wawakuda kundiita zvisirizvo apa. Nxaaa" ndaingotaura
zvaindaingonzwa kuda. Akazoita zvekundimanikidza ndokupinda mumota akabva anondisiya kumba.
Tichisvika pagate ndakangobuda ndakanyarara ndokupinda mugate medu. "Maviiii sha sorryyy" aive oita
kudaidzira asi ini ndakaramba ndakati gotsi papata kwakutoisa zvimiti munzeve ndokunopinda mumba
zvangu. Aive atondisvota kusvika kwekupedzisira ndakangosweresa mhamha ndokutonovata ndaiva
ndavati ndakaneta izvo chiururu chaive chakazvimba zvacho nehasha.

Ndakada kurara zvikaramba. Ndokubva ndambomuka kwakugara. Ndakatora foni yangu ndokusendera
Maidei message pa app ndokubva ndaona akanzi last seen 17:00

Ndakabhowekana ndokumbokanda foni panubhedha. Asi ndakazoti rega ndiite kuchaya iri nhare.

"Hello Mavie urisei sahwira"

"Hello ndiribho ko huya ka pawhatsapp ka sha" ndakadaro zvangu.

"Okay Mavie you sound low kwakanaka here. Rega ndiite data on ndipinde" akapindura Maidei ko ndiye
ka aiva sahwira wangu wepamoyo chese chaitika ndaitomuudza. Aisangova shamwari chete asi aivawo
shamwari inovaka.

Pasina nguva ndakaona message yapinda yaMaidei

'Ndauya sha is everythng okay."

"Aewa sha ko nhasi ndaenda kumba kwaThemba sha anga akuda kutondiridzira pfuti imagine.

"Kkkkkk ko iwe waakuita futi zvekuenda kumba kwaThemba ko akakubata unonoreporter here. Kana
ikaenda kucourt unonzi wakabatirwa kupi iwe oti kumba kwake onzi waitsvageiko otii manje."

Ndimaidei uyo kunyarara aisagona hake aitotaura zvaanoda zvake.


"Usadaro sha but hapana hapozvazoitika ndazobva ndakacharger apa iye anga akungoti sory sory
nxaaaaa"

"Ingomuregererawo sha pamwe zvazvamubatawo but muudze kuti auzvide and umuudze hauendeko
futi dear. Sorry inini was busy kubika rega ndipedzise tigonyatsotaura. "

Ndakazongoti kuna Maidei okay ndokubva ndadzima data rangu ndaive ndisisade zveapp.

Ndakazoona foni yarira ndokutarisa ndokuona ndiThemba ndikati andimboidaire. Yakarira ikakata yega
ikarirazve kudzamara patoita 5 missed calls. Yakazorira futi ndopandakazodaira

"Mavie Im sorry my love so.......... "handina kuzonzwa zvakanzii nekuti ndaive ndakata fone yangu
nehasha.

"Ndakabva ndaona mhamha vachipinda mumba mandaive ndokubva vagara pamubhedha

"Chii nhai Mavie taura neni mai vako"

vaive vaona mood yandaive nayo. Ko ndaiva ka mwana wavo saka vaitondiziva in and out.

"Ah hapana mhamha ndangonetsana naThemba"

"Ah zvinowanikwa mwanangu asi zvinongoda kuti mutaurorane mune zvakanaka mogadzirisana handiti
ka. Rega ndinorara usazorare usina kunamata dear"

Vakabva vabuda zvavo

Iniwo nechemumoyo ndakati better havana kubvunza kuti inyaya yei yamanetserana. Asi kudai
vakabvunza iyi ndaisamboito bufu kwavari.

End of chapter 17

*CEE N BRAGG LOVE YOU ALL*

[11/05 07:29] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💔💘


WRITTEN BY

*CEE*

&

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

+27641791014

+263773774829

Chapter,,,,,18

AH,ko papi pandaizoti kuna mom hembe dziya dzamakati dzinobviswa ndakugeza dzanga dzabviswa tiri
mubedroom kwete mubathroom kkkkkk asi Themba ka.ko tozofemereka wena ah ko munhu
zvaanoshanduka kana ava kuda kuroya mumwe wake.kkkk ko kuroya coz kana simba raakanga ava naro
ndakaona kuti shuwa ava neimwe nyama yaoma kuita mukuyu coz aida kundisa kumubhedha
straight.,,,,, SUNDAY ndakamuka ndikaita basa rangu rese uku ndanga ndisingapinduri kana massage
yaibva kuna Themba ndaingoti ko dai wakandikuvadza nezuro paya waizofonera ani,saka handidairi.
Takapedza church ndakaona massage yapinda zvikanzi. ndiri pazindoga pa same place pandokutora
every day. ,,,, ini ndakangoti mumoyo manga uchapindurwa namai vako vaibata gumbo rakako
pavaikugezesa not ini hangu. Waida kundibatisa gumbo rako nezuro kuti ndini ndakati umere rechi 3
here ini. Ndakapinda mukombi ndikananga kumba hangu. Ndakazongoona mamassage achikandwa
ndikati maya ini Mavie nezvako zviya handipinduri. Ndakatoita hangu basa rangu ndakafara hangu ko
ndaigotyei. Zuva rakavira tikabika namai vangu nevafana vangu hangu tikadya,asi kamoyo kangu
kairwadza chaizvo ko ndaimufunga babe wangu Themba ka ehe ndaimufunga. Ah asi neniwo
ndakazvinyanya wo paya nezuro makiss acho ka ummm ,kana neni ndakanga ndonzwa kuti pane
zvandakuda kubva kuna Themba,asi manje ndakakasika kuzvidzora hangu.,,,,,, izvi zvese kwaiva kufunga
hangu asi ndakanga ndatsamwira Themba zveshuwa. Takavata hedu Sunday asi hope hadzina kana
kuuya ndichimufunga asi pachokwadi ndaida azive kuti kuzvomora gumbo rake achingotsika tsika vana
vevanhu azvina kunanaka kana ka1.ndakamuka Monday ndoenda kubasa hangu zve.ko team rangu
ndichisvika kubasa vakashamisika ndichisvika netsoka ko ndanga ndaburuka kombi kuMarket Square
uko. Vanhu vakatoshaya kuti zviri kufamba sei kuti mazuva ese ndaiuya nemota asi nhasi nekombi.
Ndakazviona kuti vanhu vanetseka asi hapana akazvitaura ipapo. "

morning maam.,,,,,,,,,: "hie guys mamukasei nhasi henyu. "

Ko ndakadaira ndakananga mukati mukitchen

Ko foni ndakatozoona kuti kuswera ndakangomuisa kublacklist ishasha. Ndakasvika pa lunch ndakatanga
kunzwa kuti ndashuwa something.ah ko mumwe ndiye ka iyeye mwana aida kundirarira nezuro ka ko
ndaimuda zve, hasha dzakanga dzapera manje ndikati regai ndimubate. Asi sebabe ka ndaidawwo
kunanzviwa wo ka,ah ko ndini ndadii. Ndakangomubvisa ku blacklist,ndkamu unblocker paWhats app.
Kkkkkk zvakaoma ndaiva ndakasunga mwana wevanhu. Ndakangotanga kuona nestatus yakanzi. I DDNT
MEAN TO MAKE YOU FEEL THIS WAY,NOW I AM ON FIRE URIKUGOCHA MOYO WANGU
MASIBANDA.,,,,,,,,,, ndakanzwa tsitsi asi kumutanga ndaisada hangu ndakaona shasha yapinda online
nekutoti typing. Ndakati nechemumoyo yes zvatanga nhasi hangu pakaipa, yakabva yatopinda
muzvambarara we massage wena.,,,,,

"Mavis ndiwe munhu wandinoda zvekuti zuva ranhasi ndaswera ndichingorasika zvekuti hameno basa
rikandifambira zvakanaka.asi dai waiziva kuti nezuro zvanga zvandibata zvekuti ndanga ndisisazivi kuti
takavimbisana muchato.pliz sha zvinoitika kuvanhu vanemakumbo matatu isu vechirume sha am so
sorry sha. Kubva nhasi ndakuti tikaonana hatingoiti zvese zvemakiss zviya nekuti shuwa ndingapedzisira
tarambana hedu.pliz MASIE. Am so sorry hny wangu.,,, "

ah ndakanyarara hangu ndakunyara kuti mashoko makukutu andapiwa na Themba aya inga
ndatambudza murume wangu, ndakabva ndatora airtime yaiva paTable yangu ndikati regai ndiite
zvekufona. Ko ndakanga ndakujusa solid re5 dollars ka sa Manager ka. "

hello ndeipi yako,ini ndiri bho.ok sha zvakapera hazvo asi ini handizvidi izvozvo please ngazvisaitika
zvachose ok. "

"Ok iribho. "

"Ilove you too.,," ndakanzwa Themba achitura befu ndikangoti nemumoyo muchinyanya kuda kutsika
vana vevanhu negumbo renyu rechi3 iroro manje pana Mavie zveshuwa dzidzai pana Manager
vakapererwa nebasa nekuda kungobudisa gumbodiki iroro manje varipi,ini ndiripo panzvimbo yavo
nhasi kkkk ndakaseka ndiri ndega hangu ko ndaigotyei ini mota yangu,yekuramba kupa vanhu zvinhu
yakanga iriko. Ah ndaitodada for real coz ndakanga ndakazvidzidzisa kuti kubviswa hembe nemunhu
handiko kugona kana kuti zvinopa benefit,ndakanga ndakazviudza kuti hazvina kana chazvinondipa I
should close my legs until the day randichapinda mumba mai vangu nehama dzangu dzese vachiziva kuti
shuwa mwana wedu akunopa munhu humhandara hwake now. Ndaitodawo chose kuti mai vangu vadye
mombe inonzi yechimanda iya,inoreva kuti mukuwasha anenge achitenda kuti aiwa ini ndini muzivi
wenzira yeparuware rwemwana wenyu nekuti ndini mufambi wayo ndega. Naizvo zvinongodadisa ka
kwete kuti pamanetsanirana wototukwa kunzi ndosaka ndakariwana riri zuru rakapinda nyoka.

Ndakazopedza basa rangu ndikaita mabooks angu samazuva ese ndikabuda. Ndichingonovhara door
repashop repanze nakanzwa ndanzi dzvii muchiuno. Ndakatendeuka ndakazamura mbama iya inonzi
gwati.

"Ah Themba kana ka saka haunzwi ka iwewe. " "ndinowanzwa babie asi ndati ndikuudze kuti kubva
nguva yawanga usingatauri neni ndanga ndiri pamarasha chaipo. Madam ndanga ndafa nestress kani ah.
Hona ka babe ehe ndozviziva kuti ndakanga ndabatwa nemweya wekupinda mumunhu nguva isati
yakwana babe am so sorry ka. Asi now ndakuda kupa mai Mavie mari yavo coz ndakuda inini kuti tichiita
izvozvo zvacho zvinonzi dady namom.ah usavhunduka babe ndikurevesa ndakuda hangu kuti kana kuri
kugadzirira ma pamper ka ndakutoda kumatenga inini. Ini I love you Masibanda like hell. Babe hona
kanpaya pandakazoda kukudaiso ka ndakanga ndanzwa nzara chaiyo, am so sorry honey ok. So now let
me say sorry hangu asi ndofunga wakazviona hako kuti iwe ndiwe unechikafu chacho saka kubva nhasi
ndofunga tese takuziva kuti hatibikirwe sadza.",,,,, "shhhhh Themba why all this nhai Themba are you
drunk today. ,,,," "ohhhh not today babe am always drunk in love babe. Ndinokuda zvekuti dai waiziva
kuti uri Manager kubasa kwako and mumoyo mangu ndiwe wakabata futi so from today ziva kuti
urikuManager 2 companies babe. KFC and Themba dady of the house. Kkkk ndokuda zvekuti
ndikakutarisa so ndinoona vanhu vaviri vakanaka vanodanana neni meaning my love for you is double
double." ,,,,

"kkkkkk imi baba imi kwakanaka here,nhasi zvamunenge makatoipirwa nhasi."

"woo woo woo woo,I thank God wanditi baba yes wangosiya kuti baba vevana vangu, and vana ivavo we
are going to have them soon. Ndakutoda kumuka ndichikuona wakarara pacheast changu like everyday.
So ndikuda unoona mom vangu manje. Ndinokuda Mavis.",, ipapo akava mashoko ake achivhura door
rekuside kwa driver. "Get in madam, yes usashamisika ndiwe ukutipa rwendo takananga kumba
nhasi.",,, ndakangoseka ndikapereewa, asi mashoko a Themba akanga akutambisa nyama dzangu
zvekuti ndakanga ndakunzwa kutidai angondibata Themba. Ndakapinda zvakanakawo ka semunhu
akanga ambodzidziswa ka paweekend yaakanga afunga kunditsika. Zvisinei semunhu aikasira kubata
ndakasimudza mota asi ndaitya hangu sekuti pakati petown ka apa.,,, "yes thats my babe, yeaa simudza
gumbo iro mhani ah amai mwana handei change gear hny,waaaal thats you hny love you. Yes isai
mafuta tifambe zvedu isu ko tinotyei takatakurwa namadam.",,,, ah mashoko a Themba ekunyengerera
so akanditadzisa kana kufema chaiko ndakapererwa, ndakanga ndochingoti ita tichate udye hako
muchero wacho wakadzingisa Adam and Eve mu garden of Eden. Kkkkkkk mumoyo umo makanga
mobikana zvamo. Kuita kwerudo so ka zvakaoma.,, takanosvika kumba Themba achingoita semunhu
akupenga nekutaura,asi ini ndakanga ndichingoti nhasi akadhakwa. Ndakabva ndamisa mota pagate
pedu. "Thats my girl wagona yes yako ngaichiuya hny zvakuiita,hanty waona kuti hapana kana nyaya
kufamba kwacho kuita kunge Themba ari mu motion yekuda kuuuuuu,,,,,,, ehe wazviziva zvakaitika on
Saturday.",,,, kkkkk ah hainetse nhai, ndakadaro hangu ndichifara nemumwe wangu.,, ok babe
ndokuona mangwana. Ndakadaro ndooneka mumwe wangu ka. Ndakavhura door ndakuda kubuda.
Ndakabva ndabatwa ruoko.,,, "good night babe i love you.",,, hiiì akadaro Themba ini ndakanga
ndatofunga kuti arikuda kiss. Apo ndakanga ndatomugadzirira mashoko

"I love you babe and ndoda kukuudza kuti no kisses no hugs untill tachata.",,,, iiiìi pakataura Themba
mashoko aya ndakapera simba nekunyara,ko zvandaiva ndamugadzirira chamboko chemashoko.
Ndakazongoti ok hny thanks.ndakuenda. ndakabva ndabuda mumota hangu ndikaenda mugate,asi
ummm ndakatanga kufunga manje kuti muoomana wangu akawana vanomupa zvaanoda handisari here
ini.ah hameno kuti zvichadii chero zvazvaita ko ndipo pandingadii. ko kumupa ndokuti aroore here ko
ndikamupa akandiramba hake. Anenge atodya zvevapfupi nekureba ka. Ndakasvika mumba mom
varimo vapedza kubika kare.

"Ko nhai mhamha vasikana varara kare." "Ehe varara ava vambokumirira zvavo asi ndazongoona
vakudyira nehope. Ndazovati vaenda kunorara zvavo saka vavata.",,, vakadaro mom vakafara zvavo,ah
takazotaura dzimwe nyaya hedu takufara zvedu. Ndakazonovata hangu.kwakuenda pawhats app
kwakutanga kutaura neboys rekubasa hangu, ko mom vakanga vakandiudza kuti handifaniri kudada ka.
Pakazopinda massage ya Themba.

"Mai vevana vangu dady vakurara ndikuona uri paside pangu wakandisunga nemakumbo hangu
ndakaita kunge mazai ari pakati pechingwa.",,,,

" iwe kkkkkkk Themba kwakanaka here nhasi. Ah usadaro kkkkkk." "Kwakanaka babe ndinokuda zvekuti
ndogona kukunyenga kechi 2 manje. Kkkkkkkk ",,,,, ndisati ndapindura ndakabva ndaona akanda imwe
futi. "Ndichakuudza mangwana zvandafunga, good night." ,,akadaro achibva atoenda offline.,,

"hello G.Manager"

" yes,:

" oh my God ok ah thanks boss.,,, "

ava ndi G.M vakandifonera vachiti......

. Ah ok ndokuudzai mangwana regai ndirare. Bye.

*Endnof chapter, ,,,,,,,,18*

next chapter cooming soon

*CEE AND BEE LOVES YOU ALL MWAAAA*

[11/05 07:29] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💘💔

WRITTEN BY

*CEE*

&

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

📞+27641791014
+263773774829

Chapter....... *19*

"Yes Mavis saka please make sure unotora licence as soon as possible handiti. Masales hauna kutumira
nhasi may you please send sales madam. Sorry nekufona mapedza basa."

Ndi G M ava ndokubva vakata zvavo foni. Yaive yauya mota yangu yaive yatoparkwa kuhead office
kwedu kuMsasa. Ndakanzwa kufara chose zvekuti ndakati kwete iyi inoda kuti ndimbopirawo mai Mavie.
Ko ndivo kaa nyakutumbura, shamwari yangu zvakare variwo vaitambura mukurarama. Ndakanga
ndakapika kuti kugarika kwangu naivowo vagarikawo. Ndaiti ndikatarisa kwatakabva ,kushupika
kwavaiita vachitiririra ndaiona kukosha kwavo kwese. Haisi nyore kusenga tswanda izere nemabana
nemadomasi zuva nezuva uine chinangwa chekuriritira mhuri yako.vaitoita sevachatsemuka chipande
Haisi nyore zvakare kumukira zuva nezuva wakananga kumusika wembare kunohodha.

Ndizvo zvaiitwa namai vangu kuti ini navafana vangu tirarame, tiende kuchikoro.

Zvaindipa manyawi pamwe nekuzvisimbisa nguva dzese. Kunyangwe vaisaratidza kurwadziwa mazvo ini
ndaizviona kuti zvinorwadza ko unenge uchida ka kuraramisa mhuri yako ungadii. Haisi nyore kurera
vana vatatu pasina baba. Kana hamawo zvayo inokugamha.

"Mhamha, mhamhaaaa..."

Ndakadaidzira ndichimhanya kunovhura door remubedroom mavo.

"Mavie chii kwakanaka here husiku huno" vakabvunza mhamha vaona speed yandaiva nayo ndichipinda
mumba mavo. Ko kwaigoshatei ini ndakanga ndatambira good news kudaro. Ndakabva ndagara
nechepakona yemubhedha wavo ndokutanga kutaura.

"Ndabva kufonerwa nemukuru wekubasa kwangu mhamha. Anzi mota yangu inini Mavis yatova kubasa
kutaura kuno. Yatongomirira kuti nditore licence kuti ndikwanise kunoitora. Mhamha ndanzwa kufara ini
aewa regai ndimbonomutsa Betty naNyasha ndivaudzewo vafana vangu. Ah this is good news woo"
ndakabva ndati kwanyanu ndakananga kwairara Betty naNyasha vanunguna vangu. Ndakavamutsa
ndokunanga kuna mhamha navo. Ndakazovaudza shoko rimwechete iro randaive ndaudzawo mhamha.

Ndakaona vana vachiita kukwakuka nemufaro. Vaitoita kunge mota yacho ndaive ndatoiparka
pachivanze chedu. Ndakabva ndati handina kukurumidza here kutaura apa. Ko zvikazoenda nepamwe
nhai. Asi imwe pfungwa yakati aewa. Hazvimboendi nepamwe ndezvaShe izvi. Chatonzi ndechangu
chatonyorwa pasi nekudenga saka yatova yangu mota iyoyi. " saka sisi Mavie kureva here kuti muchange
makutotyaira mota manje manje. " akadaro Nyasha achibvunza zvake uku muromo uchiita
seuchatsemuka nekusekerera.

"Kwete kudaro chete asi kuti ini ndichange ndiri driver zvakare ndichange ndakukuperekedzai kuchikoro
nemota Nyasha. Taitirwa nyasha sezita rako mufana wangu."

Ndakadaro ndichipindura zvangu mufana wangu uyu.

"Ndiri kunzwa kufara ini mwanangu. Ishe wedu wekudenga akuitira zvidhafu dhafu mwanangu.
Ndinofara nekusandinyadzisa kwawakaita. Unoziva ari umwe mwana aidai akatonoroorwa kutaura kuno.
Vana vemazuvano vanotomhanya kunoroorwa vachiti kuda nhamo ingatapudzike. Ndinotenda
mwanangu. Kana izvezvi ukachiroorwa ndinoziva hauchambonodadirwi nemurume nekuti wavawo
nerako basa rakanaka. Uye kana ukazofirwawo nemurume sezvandakaita ini mai vako ndinoziva
haumbonetseki nekuriritira mhuri yako yaunenge wasiirwa. Ndinoti ramba wakadaro mwanangu. Im
proud of you my daughter. Zvakare wavhurirawo vanin'ina vako ava nzira yakana yekuti vateerewo
matsimba ako. Ndinovimba kana nemiwo ananyasha muri kuona zvirikuitwa nemukoma wenyu uyu.
Vanhu vaingoti toda kuona kuti kanoenda nepi. Kanomitiswa chete gore rino kana form 4 haaipedzi. Asi
ooo honai zvaitika ah mwari uyu mukuru mhani."

Vaive votaura mhamha ndakatozoita vekudimburira panzira. Kuti isanyanyoreba nyaya yacho. Nekuti
ndaiziva kuti kana wabata mweya wacho wekutidzidzisa haaa wainge watanga.

"Mhamha musati henyu zvandaitirwa, ndinoda kuti muti zvataitirwa. Ndezvedu tese mhamha. Izvi
ndizvo zvangu zvandaitirwa kubasa handiti asi iniwo saMavie mwana wenyu handina chandati
ndakuitirai semwana wenyu. Ndaida kuzokuitirai iri suprise asi regai ndichingotaura imiwo muchindipa
pfungwa dzenyuwo."

Ndakaona vafana vangu vakuratidza kuti vanonokerwa nezvandaida kutaura.

"Ah Mavie asikana inga urikundichengeta wani hakuna zvaungaite zvinodarika izvozvo. "

Aewa mhamha ini handingati kana ndakakura ndichisunda zvidhina ariiwo aiva matoy angu ndotiwo
nevana vangu ngavasundewo zvindinha kwete hazviiti. Imi makandikudza nemari yemusika muchisenga
tswanda nhasi uno ini ndaakunzi ndifambe nemota yebasa ndaakunziwo manager. Hamungarambi
muchitsiga tsvanda hazvigoni. Saka kubva pandakapedza diploma rangu paye ndaisaver mari mhamha.
Mari iyoyo ndoda kukuvhurirai iri shop chaiyo. Yenyu yamunomanager mega mhamha inini ndofunga
ndinongokubatsirai tichangotanga then kumwe kwese mochizoita mega. Imba ndiyo yamakasiirwa
nababa

Ndinoda kuti kana ndikanzi ndaroorwa imi hamuchafoniwo muchida yesugar kana yesipo. Pamwe
kusatofona futi muchitya mukuwasha. Handizivi kuti munopaonawo sei?"
Eish mumba makamboita karunyararo. Kuti vanhu vanga vadzamirwa here ah hamheno.

"Mavie mwanangu, mwari varambe vachikuropafadza, handina kumbobvira ndafungira kuti ungadai
mwanangu. Hazvina kushata hazvo zvawaronga mwanangu. Haaa unoreva kuti ndine ndatovawo neshop
yangu ini shuwa.?"

Vaive vasina zveshuwa kutenda kuti mashoko aya aive ataurwa neni. Asi ndihwo hurongwa hwandaive
ndinahwo zveshuwa. Kana Themba handina kumuudza hurongwa uhwu. Ndakangoti aewa ndezvemhuri
zvakanga zvisinei naye. Ndakazoona mhamha vandimbundira. Uku vaive vosvimha misodzo yerufaro.
Munongoziva kana wakakura uri wekutambura ukamboti tarirei kwawakabva so unotombochema chete.
Iniwo ndakabva ndatanga kuchemawo. Ndaive ndorangarirawo zveshuwa kwataive takabva. Ndaive
ndorangarira dzimwe nguva dzatairara nayo nekuda kwekushaya chekudya chaicho. Uye nekushayawo
hama yaimirawo nesu. Kwaisava kuti taisava nehama asi kuti dzaisatoticheuka kuti taivapo zveshuwa.
Zvino musiki haadhakwe anosimudza marombe kubva muguruva. Tikangomugonera nesuwo
anotigonerawo zvakapetwa.

Takaita nguva takambundirana kudaro ndokuzoregedzana zvedu. Chokwadi ndaive ndadadisa mai
vangu. Vaye vaivaseka vaive vonyara ndizvo zvinoita Mwari izvozvo vaye vaikuona semarara vane voda
kuswedera pedyo newe. Takazonamata ndokunorara zvedu.

*one month later*

Ndakazotora licence yangu ende hazvina kundinetsa. Ndakafara chose zvandaiva ndisati ndamboita.
Ndaisingonzwa vanhu vachiti heee haungarove imbwa wakaviga mupinyi kureva kuti waitofana kuti
budei kamari kuti licence ibudewo asi ini ndakangoenda feya feya ndakatoiwana. Kuita kwaMwari uku.
Panonzi hazviito naShe zvinoita. Ndichibva pa VID chitambi changu chiri muhandbag ndakabva ndananga
zvangu. Kuheadoffice kwedu. Ndikasvikira zvangu mu office yaGM ndakasvika vatori na Finance manager
wedu.

"Wellcome Mavis gara zvako pasi"

Vakadaro vachinongedza chigaro chaiva pedyo neni.

"Oh so this is the lady who is doing wonders. Please keep up the good work Mavis, Im happy you are
meeting your budgeted sales and you are posting profit as well thats good for the company and one day
the company will reward you young lady. Zvautori mwana nhai pandainzwa zita ndaiti watova munhu ati
kurei."

Vakadaro finance manager vachindiita hand shake chaiyo. Ndakanzwa kufara nekupembedzwa
kwandaive ndoitwa uku. Nechemumoyo ndaingoti mwari kudzwai.
Gm vakazondipa makey emota ndokubva ndanoratidzwa mota yacho

"Ndiyo mota yauchange uchifamba nayo Mavie. It pays to be a hard worker."

"Thank you sir asi nhasi andichakwanise kuenda kubasa. Pane zvishoma zvekumba zvandanga ndichida
kugadzirisa. Saka Mike will be there handimutyire zvangu."

Ndakadaro ndichiudza mukuru webasa ivo havana kupikisa vakabva vanditenderawo.

Ndakabva kuMsasa ndochidriver zvango bango rangu remotokari ko kutyei ini chitambi ndakanga
ndaanacho. Ndakabva ndapinda mutwn ndokunanga muna Speke mandaive ndamboona chikwangwari
chaive chakanzi

'Shop to rent please call 446755'

Ndakabva ndafona zvangu number dziya ndokubva ndapihwa madirections ekwaiva nema office mutwn
imimo ndokubva ndanangako. Ndakasvika tikataurirana ndikaudzwawo kuti rent yaiva marii ndokubva
ndatenderana nazvo. Ndakabva ndatosiya ndabhadhara mari yese yaidiwa ndokubva ndatopihwa
makey. Yaisava zvayo shop hombe kaive kadiki zvako. Ndaida kuti mhamha vaswere zvavo imomo
vachitengesa havo maweave netumacosmetic munongozvivawo zvinhu zvevakadzi zvinoti fambe nekuti
madzimai anoda kuzvishongedza chose. Taizofanira kuenda tese namhamha ndonovaratidza shop yavo
pamwe nekubva tambohodha zvinhu zvacho.

Ndichibuda mutown ndakabva ndananga zvangu kubasa kwemumwe wangu Themba musi uyu aive
aenda kubasa asina mota sezvo yaive yaenda kuservice. Ndakapinda mumota ndokuizhezheudza
ndakananga southerton. Handina kuda kumuudza kuti ndatora licence zvakare mota ndapihwa ndaida
iite suprise kuchipondamoyo changu.

Ndakasvika ndikaparker panosiparker Themba mota yake. Ndichiri mucar park kudaro ndakabva ndaona
ziHammer rarakapakwawo kuene rimwe divi. Ndakashamisika, ah hachichisi chimota chaLindsay here
ichi. Ndakazongofunga kuti ah pamwe kungofananawo kwemota. Ndakabva ndapinda mu CABS bank
umo munova ndimo maiva mubasa maThemba. Ndichingopinda ndakaona Themba akamira naLindsay
mukati imomo. Ndakangoti hameno handiti mubank here mayb ndezvebasa. Iyewo achindiona akabva
afamba achiuya kwandiri

"Hesi babe ko you ddnt tell me kuti you are comimg wani"

"Ah ndangoda kuita hangu suprise honey. Its almost home time are you done." Ndakabvunza zvangu.

"Yes Im almost done rega ndingonosiya these papers andakabata muoffice tibva taenda zvedu."
Akadaro achitofamba kuenda ku office.

Uku Lindsay akaramba akaita kundidzvokora neziso raitaura. Akabva aswedera pandaive. Ndokuita
kunditarisa kubva kumusoro kusvika kuzasi ndokubva aridza tsamwa iya yemaNigerian chaiyo
ndokubuda asina chaataura. Ininiwo ndakabva ndati ndeyekwako iyo nechemumoyo kwakuramba
ndakamira zvangu. Pasinawo nguva Themba akabva asvika ndokubva tabuda zvedu. Akabuda akananga
neroad yetsoka asi akaona ndichimudhonzera kucar park

"Ko babe wakanganwa here kuti nhasi andina mota yaenda kuservice?"

Semunhu aisaziva akadaro zvake.

"Aewa swty nhasi tinoenda neyamadam mota come and see mota yandapihwa swty. Its a suprise woo"
takafamba takananga kumota. Akafara Themba achiona mota yangu pamwe nelicence
randakazomuratidza. Takapinda zvedu mumota ndokubva tagara zvedu.

"Mmmmm Im happy for you my love please this car is very expensive sha. Ini ndaitogaira kuti uchapihwa
kaNP200 kaifamba nablaz vaye vekuda kunditangira kudya muchero wangu kaini" aive oseka zvake
Themba. "Kkkk haaa watanga swty hauzvikanganwe handiti ka. Ko iwe, ndaona wakamira naLindsay
pandapinda paye anga achideiko?" Shanje ka dzanga dzabata ndaisada munhu padhuze newangu.

"Ah ufunge zvakaoma. Ko ndaimboziva here kuti Lindsay mwana wamadam boss vangu. Ndatozozviziva
nhasi mushure mekunge ndapinda muoffice mavo ndokuona arimo. Ndopavanditi Themba uyu anonzi
Lindsay ndo first born yangu. So patatakamira paye anga akungobvunzawo becoz ashamisikawo
nekundiona aisaziva kuti ndimo mandinoshanda."

"Hooo okay but ah still ini andidi kumuona pedyo newe. Mai vake ndo boss vako not iye . Anoda
kushandisa position yamai vake kwauri here. Ini I dnt like her zvangu."

Ndaive ndopopota hangu nekuti Lindsay aiva type iya yekubhawa inoita chinamira nevarume vevaridzi.

"Nothing will happen babe trust me. Ini ndoda iwewe chete masibanda wangu" ndakazodriver
ndokunosiya Themba kumba kwake. Ndakamusiya pagate handina kuda kupinda ko ndaive ndotya ka
kubatwa zvekare. Tsuro haiponi murutsva kaviri. Saka ndakabva ndatoti kwete handipindi. Iyewo kana
kundikoka haana aive ototyawo kutsamwa kuya kwandakambomuitira mwedzi waive wadarika.

Ndakasvika kumba mhamha varipo vese nevafana vangu. Ko zvemusika ndaive ndazvivharisa zve.
Vakasvika vakapembera vachiona motokari yandaive ndapihwa. Vafana vangu vaiti vakavhura madoor
vopindamo vombobuda vombopinda futi. Haaa yakaita happy happy chaiyo. Takazopinda mumba
ndokubika zvedu asi waingova mufaro bedzi bedzi.
Nguva yekurara yasvikaka takanorara hedu ini ndokuenda zvangu pa App ndokutanga kutaura
naThemba wangu. Semazuva ese taitaura zvedu dzerudo. Ndakabva ndaenda pastastus ndokubva
ndanoichinja ndichinyora kuti

*ZVANGU NDEZVEDENGA UKAZVITEEDZERA UNOROMBA*

Ndichingobva kuichinja ndakaona message ichibva kuna Maidei.

"Yoweee Mavie waThemba waitirweiko kani haaa status yako yandinakudza kani.

"Ahh maidei kkkk ndapi........

End of chapter.

*CEE AND BRAGG LOVE YOU ALL*

THANK YOU FOR YOUR SUPPORT

GOD BLESS YOU ALL

[11/05 07:30] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💘💔

*CEE*

&

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

+27641791014

+263773774829

Chapter,,,,,20

Ndakangoti ah iwe kubva Mwari wangu ungamudii ndakuseri can you just close your eyes and guess
hako. Apa ndimaidei wandaitaura naye paapp. "Ok ndatsunzunya ummmmm uyo uyo Mavie kumba
kwaThemba uyo pamubhedha Themba pamusoro ah watsikwa naThemba Mavis yeeee ndagona ka.".
Kkkkkkkk ah Zvamaidei so unopenga here iwe ndingafarira kurarwa ini ndaida kumurambira nyaya iyoyo
ukwane. Ndakapindura hangu ndichitoseka naMaidei wangu ko hope dzaimbouya here ndaiti ndikavata
ndobaya makeys angu unlock nelock mota yangu yoti hwi hwi. Ndaibva ndaziva kuti hakusi Kurota
ndatova nemota ini Mavie hangu. Ndakazotaura hangu naThemba wangu apa shanje dzakanga dzakaita
kundisisera chaiko ndakufunga kuti ko Themba naLindy vanga vakamira vese for what ah zvakaramba
zvichindipa mutoro pfungwa dzangu. Ehe Themba boss vake ndivo mai vaLindsay asi why is it
vasingatauri vega mai ava ko kutuma mwana wavo ndokudii. Ummmmm amai vaye ka vachandikonewa
coz pana Themba handidi hangu kusangana netwumuedzo twenhema ah apo ndipo pandingabvisa
bhurugwa ndikapfeka mumusoro kureva kupopota chaiko. Coz twumuedzo twunoda kuuya nekumusana
handitwude ndoda zimuedzo rinouya nepazipi apa tinopedzerana sekupedzerana kwandaida kuita
nemuedzo wegumbo diki rechitatu raThemba. Kkkkk aya rega ndirare hangu ini ndoda kuona kunosvika
humhandara hwemhandara kana kusiri kuhudzimai kwandoziva i will be watching my Themba neziso
dzvuku chairo. Ah ko ndakazomuka zuva ratobuda ko ndaida kubata time sezvo ndini ndine nyanga
dzese ka. Ndakapedza kugeza ndikapinda mumota yangu. Ko mom vanga vaenda havo kushop kwavo ah
ko magariro anonzi akanaka ndakanga ndakutodzidzirawo. Shuwa ndabvuma kuti rugare tange nhamo
shuwa. Ndakazonosiya vafana vangu kuchikoro hangu ndichisvika kubasa kwakaita makuwerere ka. Ko
raiva zuva rangu rekutanga kusvika pabasa nemota ka. Hiiii now makutyisa shuwa mava madam boss
chaivo.ko kupiwa zimota zihombe kudarika vamwe why apaakutoita sekunge ndimi GM vacho kkkkk
akadaro Marsh ndikaseka hangu pava paya tapedza kudaro ndakapinda mumood yebasa hangu. Ko girls
vecleaning varipi. Ko uyu chamu mupostori haasati auya here. Apo ndaitsvaka simbi yezveku cleaner
ainzi mupostori. Mupostori aripi Nhai hama ko muno mukuwanda tsvina kudai itai fast ngamuchene
muno. Ndakabva ndabuda ndikananga kumusoro kuoffice kwangu. Takabata basa musi uyu ndikabva
ndapedza nguva yangu chaiyo. Ndakazofonera mumwe wangu Themba since ndakanga ndava nenguva
yakareba from morning kusvika kwavira tingori busy pasina kutaura tese. Hello hny its been so long hey.
Ndakadaro hangu kuna Themba wangu. "Babe ndanga ndakusuwa semasuwiro andaita mazamu amai
andakapedzisira kuona pandaiiyamwa.",,,,, kkkkkkk ah Themba tseke wako unopemga iwewe ukwane
wanzwa. Ndakadaro apa mbabvu dzai dambuka nekuseka zvakange zvataurwa naThemba. Ok hny I
know that wandisuwa coz neni ndakusuwa futi. "Ok madam chiita muuye tosangana paconstruction
house ndopandamira.",,, ndakarova vhiri ndakananga kwaiva naThemba hangu. Ndakasvika paya
ndikaparker mota yangu ndikanopinda mumota yaThemba tikatanga kutaura hedu. Takazobuda
takuenda kumba ko zvanga zvakubhowa ka coz mumwe nemumwe aienda nemota yake. Takanosvika
pagate pedu ndokumira hedu Themba sekuti ndiye aiva mberi akangomisa mota kwakuburuka kuuya
muneyangu. Achingopinda ndakatambudzwa na Themba nemakiss kani takazoregedzana ndakunzwa
kupera simba chaiko ukaona munhu wamanager akutoita se achabvisa hembe ka ummmm panga
pashata apa. Ndakazoudza Themba achingondisiya kuti chiroora sha. "Why wadaro hny ko chii.",,,
Themba usabvunza nhema apa kagumbo kako kechitatu ndakanzwa kanga kasimba apa aiwa sha,to be
frank enough zvakuda kuitwa izvi ah. Ndakataura mashoko aya ndatotsamwa coz ndanga ndakutadza Ku
resister. Ah ko ndini ndadi mafeelings akasikwa namwari ari pamunhu ka. Ndakataura mashoko aya
ndikaona Themba atarisa Pasi asi ndakangoti chero ndataura aah kulimitana kunorwadza ka Nhai.
Takazoonekana paya ndoenda Themba akuenda hake ndakapinda mugate medu hangu.
*Themba*

Ah asi shuwa zvataurwa na Mavie paya ka ndizvo coz kana neni ndakurwadziwa nazvo pese patabatana
ndikuzoita problem yemudumbu ah dont know why zvinhu zvacho zvirikudai so. Ndakazopinzira babe
nhare paya ko ndiya aiva munhu wacho ka ukaona uchatya kufona kana kudyiwa nebabie hausati
wadyiwawo muromo iyoyo kusvika wakunzwa dzungu. Ah ko pandakakiswa musi uyu ndakaona mhute
yerudo kani kubaiwa nechepazasi apa wena kunge ndipo pakiswa ah vakomana ka. Rudo isadza kani
chikafu ikawana anogona kukufidha chaiko ma Mavie ndapinda manje. Kwete zvetumwe twuvasikana
twandaimbonyura natwo mumatope erudo now ndakunyudzwa mugungwa naMavis. Kwese uku kwaiva
kungofunga hangu apo ndirimumota ndakakanganwa kuburuka nekuti ndakanga ndava mudenga
renomwe nezvandaiita naMavie so. Dai vakomana vese vaiwana mazirudo anonyudusa ruchiva akadaiso
ka vangadai vasina kana zvese zvekuenda vachinonyenga futi. Ah Mavie kuseri ndatenda hangu.
Mdakazobuda hangu mumota ndichiseka hangu nezvese zvakanga zvaitika ndina Mavie. Ko ndichipedza
kumufonera ka ndakangonzi chiroorai imi hatidi zvisina basa. Ndakatonzwa kuti yes ndakufanira kuzviita
now. Ndakapinda mumba mangu kwakubika hangi apa ndaingoyeva pic raMavie randaiva ndakaisa pa
profile yangu ka. Apo hona status. Ndiri mudziva kubva pandakabuda mumatope erudo. Kkkkkkk ah
ndakaseka hangu kuti ma X girlfriends angu anotii nazvo kkkk kurwadziwa chaiko. Vakomana mukazviita
shuwa munorohwa nezvikwambo. Munoenderwa zaka rinopisa kana chipinge mukaurawa. Kkkkkkk
zvisonei. Manager vs accountant pakaipa apa. Ndakazoona ndiri pakati nendangariro phone yapinda.
Hello ndiani uyu. Ndakabvunza apa ndakanga ndatonzwa hasha kuti ndiani anopindira mindangariro
dzakadai nhai veduwe kusanyara chaiko. Ok hesi Lindsay urisei. Ok. Ah no no hazviiti sha i will be at work
mangwana yes serious. Ah usadaro wena. After work ndichange ndina Mavis ka and you know that
ndine musikana wani so no. Ah kudii kwacho. Yes i know your mom yes she is my boss and you are not
my boss so please stop all this. Ndakakata foniyangu ah uyu mwana uyu akandivavarira kani ah ko kuva
pasi pamai vake ndiko kungamupa kundityisidzira kudaro here ah kana ndoda kuzviona. Ndakazovata
mufaro wese wafa kani. Ndakamuka mangwanani ndikagadzirira kuenda hangu kubasa apa yanga iri
weekend ka mdainopedza basa na11:30,. Ndakafonera wangu wechidhaka ka ehe ndiye Mavie iyee
Masibanda special. Takataura asi mufarao paiva pasina nekashoko andakanga ndasanganiswa nawo
naLindy manheru so nxaaa. Ndakazosvika kubasa ndakakona kuti nhasi ndikapedza basa ndoda kutiza
chaiko nekuti ndaiziva kuti achauya chete.

Ndichingopedza basa ndakurongedza kuti ndibude ndakaona massage yapinda. Wena. From CEO. Huya
kuoffice kwangu. Ahhhh vakomana ava mai ava vanoda kundiwanisa nemwana wavo ndiri pano kai.
Ndakananga kuya ndichipinda nekuvhara door semutemo waivamo muoffice yemukuru. Maswera sei
mother. Ah ndisati ndadairwa ndakaona mwana wavo akatogara nechekuseri kwedoor achichema wena
nxa zvakaoma uyu mwanauyu ka maitiro ake akaoma aitochema wena. Ndakagara pasi ndakati kahama
kushamisika nezvandaiona. "Lindsay tell me what happened.",,,, vakabvunza mai vake wena ndakaona
mwana achisimudza musoro achiwedzera kuchema. Akaratidza kutadza kutaura. Ndakashaya pekubata
wena ndakushamisika kuti chii chikuitika.mai vacho vakazotaura manje. "Lindy anoti wakamutuka
nezuro ukatuka namai vake vanova ini. Ini ndinova boss wako chii chikuitika Themba. Ndakashaya
chekutaura ndakangoti ahhhh kushamisika chaiko. Ko ndaigodii hangu ini ndakanga ndapomerwa kudai.
Ah mother handina chandinoziva. Ndakaona Lindy achisimuka wena zvikanzi. "Undinyare Themba
wakandishurira nezuro apa.",,, ndakasimuka ndatoona kuti atova masimuka tienzane aya. Amaiweeee
mbama yaakanditambidza ndakapererwa kana simba ndakarishaya. Maivake vakangoti Lindy usadaro
kani. Inindakashaya zvekuita ndakangoti thanks mother. Ndakabva ndabuda. Kwakupinda mutown
kunoona wangu mukadzi asi ndaisanzwa mushe ini. Kurohwa nemukadzi shuwa zvakaoma. Ndakaburuka
mumota kwakukumbira mushopa KFC kuti ndione madam vavo. Ndakatenderwa kwakukwidza neni
padenga. Wandaiva naye akangongondisiya kwakudzoka hake. Ndakasvokoona Mavie ari busy
nemabooks ake haana kumbotarisa kuti apinda ndiani. Achizonditi ba "akangoshama kwakuti ahhhhhhh
chii babe ndiyani akudai nhai Themba." Ndakada kutsanangu ra Mavie akanditangira akati ahhhhh
ndiiiiii..................... ?

End of chapter

Cee and Bee loves you all.

Mwaaaa.

[11/05 07:30] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💘💔

WRITTEN BY

*CEE*

&

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

📞+27641791014

+263773774829

Chapter....... *21*

"Ndi Lindsay chete hakuna mumwe ah nooo mhani kakuda kupinda nemwenje mudziva kanjapisi kaya
mhan Themba talk to me ndiye here?"
"Ah ehe ndiye sha musikana uye she is up to something anenge munhu atori possesed chete ane
zvakamugara chete haasi ega mhani. Can you believe kuti ndangozonzwa ndakudaidzwa ku office namai
vacho. Kwakuudza mai vacho kuti ini ndakakatuka ndobva ndatuka futi mai vake. Unoziva ndapererwa
kutozopfikura pfikura kachichema nhema, kapedege kahure kedhongi ka Lindsay. Kwakundirova
ndakazvimirira zvangu. Handina kana chandakwanisa kutaura. Ndangofamba ndokubva ndabuda hangu.
Nhasi hasha dzangu hadzina kana kundishanyira." Ndaive ndotsanangura zvanga zvaitika. Mavie
akashama nazvo ndokunyatsopererwa kushaya nechekutaura.

*Lindsay*

Yea nhasi ndamugona Themba. Manje handisati ndatanga ndombonzani ko inini ndinonzi Lindsay ini.
Anondishorei kubvira kare ndichimuitira action but haasi kuona. Inga ndakanakawo wani kudarika iko
kaanongoti mavie mavie ikako kasina kana pattern. Manje haa size ndinayo. Mavie ndakambokupa
warning ndoda kumuita zvoogara zvakadaro inonzi wastak chaiyo. Themba will be mine very soon
hmmmmmm I cnt wait to sleep with this guy mheni charmer boy Themba haaaa sory Mavie wazviruza
iwe. Ko isu tisu tiri hot ka. Mayellow bone kwete machocolate ana Mavis. Iro zita racho rekuti Mavis
kunge rekupihwa namidzimu hada apa my mum is very rich futi futi saka hazvimbondinetsi pamission
yangu. Gegege gore rino umwe anoita bp akazvirega. rega ndimbobhema zvangu ini. Ndakataura
mashoko ese aya ndakatatisa profile pic yaThemba anga akaisa ka ikaka kaMarijata kaiva pacontract
yanga ndakuda ku terminator.

*back to KFC*

"Haaa Themba what do you think sha. Don't you think kuti nyaya iyi tinofanira kuita police case. Lindsay
akunyanya sha. Chasara kukuudza kuti inini achandiitirawo zvimwe handiti paya akanditi achandiita
something ko kana akanditsvagira matsotsi nhai haaa ini ndinoona kuti beta tigare tatora some
protective measures sha".

"Mmm babe dai tambomira zvemapurisa handifunge kuti angadaro ini lets just wait and see" akadaro
zvake Themba. Haaa ini hangu ndakanga ndakutongotya. Lindsay itype iya yechigandanga mukadzi wepi
anobhema mbanje. Iwo muviri wake wakanga wakazara matatoo ega ega. Haaa noo hakuna mukadzi
akadero mhani. Ndaive ndopopota zvangu ini masibanda.

Takazobuda takadungamidzana iini naThemba toenda kucar park dzakabuda hadzo dzakadungamidzana
mota ko handiti tanga taane yake yake. Musi uyu Themba akananga kwake semunhu anga
akabhowekana haana kuda kumira neni nguva yakanyanya. Iniwo ndakapinda mumba ndokuwana
mhamha vatouya ndakavasweresa zvangu ndokumbogara navo tokurukura nezvekushop ndichida
kunzwa kuti zvese zviri kuendeka here. Tazonamata zvedu ndokunorara.

Ndamuguza ndakanzwa yarira nhare yangu. Yaiva massage yapinda yepawhatsapp kubva kunaThemba

"Hey love "

"Hey swty are you okay"

Ndakachimbidza kupindura.

"yes haaa zvatopera zviya masibanda. Ndiri munhu rume ini handingashungurudzwa naLindsay ini. Ehh
babe remember ndakati tirikufanira kunoona mai vangu ka paye paye. Taakufanira kuti tiende. Ndikati
tiende next week pakashata here babe wangu?"

"Any day is okay dear so long ingori weekend chete hapana chakaipa handiti kunodzokeka here one
day.?" Ndakapindura zvangu.

"Ehe pane mufambo hapo but panodzokeka babe. Ndati ka ndibvunze mai mwana ka sezvo murimi
manager wangu ka kkkk. Zvinoda kuti mai vape date ivo plus nekubasa ka une uchida kuti ugare
wakumbira zuva racho."

Ndakaseka zvangu.

"Kkkk Themba akomana waakungopinza chimanager pese pese ah nhai ita mushe iwe ah"

"Shuwa mudiwa wangu plus ini ndaakudawo kuti zvichingoratidza zvega kuti iwe uri wangu ini ndiri
wako ndinoreva kuti ndaakuda kukupfekedza ring sha. Hona anaLindsay vaakungondipinda muhomwe
inyaya yekuti anoti ndichiri single nekuti haaoni ring pachigunwe changu. Saka haaa ndaakuda zviite
official kuva mukadzi wangu waiziva." Aive otaura zvaainzwa kuda hake Themba.

"Aewa its okay dear. Tinoenda zvedu ndinongotora off day racho tonoona hedu vamwene vangu.
Ndingafara fani kuvaona ndinovimba naivowo vachandifarirawo haaa wakavengwa navamwene zvine
zvakaoma sedombo."
"Haa kana dear, mhamha vangu munhu akasununguka chose. Zvakare ini vakandiiudza kuti wandada ini
ivo vanomudawo. Ko chero vakakuvenga ndivo vane vari murume wako here handiti ini ndini murume
wako anokudisa." ndiThemba uyu.

"Haa iwe zvinowanikwa izvi mukurarama saka paribho dear. Ini ndava nehope rega ndimboti rare
mbijana. Goodnyt my love" ndakadaro zvangu ndichiisa tudhori tuya twekuratidza kuneta
twungoripowo pawhatsapp ipapo. Iyewo akabva apindurawo ndokubva tavata zvedu.

*Themba*

Ndichisvika kubasa ndisati kana ndatombogara pasi yakarira foni.

"Helo good morning

"Yes Themba please report to my office. "

Vaiva mai vaLindsay vanova vaiva mukuru mukuru pa CABS.

"Morning maam"

"Morning wamuka sei. Ndini ndakudaidza concerning nyaya yanezuro. Chekutanga you rude because
you walked away. Chechipiri hauna kana kukumbira ruregerero. Do you think you can just go around
uchituka mwana wangu pamusoro pazvo wotuka inini. Thats nonsense wazvinzwa. Ini handiitirwi
izvozvo. So please stay away from my daughter. Handimbodi kunzwa kuti wataura naye futi. Asi
waimutukireiko chaizvo. Asi akakuramba kani huh ?" Vaive vodya marasha mai vaLindsay. Ziso raive raita
kutsvuka uku mhanza yaita kuunyana nehasha. Ndakatoona kuti pano ndikada kuvapindura pfocho
hazvaizombomira mushe. Chandakakwanisa kuita kukumbira ruregerero kunyangwe zvazvo ndaiziva
kuti ndaisava nemhosva. Ndazoita zvekunzi

"Now chibuda muno uchiri wakamirirei dnt want to see you near my daughter again and if you do that
again I will fire you. Remember Im the boss here so watch your step hey"

Ndakabuda ndakapusa pusa kunge imbwa yechirungu yadirwa mvura. Izvi ndakazvishaya kuti zvabva
nepi.

Ndakasvika mu office ndokumboita nguva ndakagara ndisati ndatanga kushanda. Ndakada kusimudza
foni kuti ndifonere Mavie asi imwe pfungwa yakaramba ikati ndingamukwidze bp. Ndakagara kudaro
foni yakarira ndakatarisa ndikaona iri number itsva isiri kumasaved contacts angu.

"Helooo"
"Helo ndiLindsay"

Ndakabva ndakata foni. Kari kudei chaizvo kakandinyepera zvandisina kuita ikozvino kakundifonera
nxaaa karikumbodeiko. yakaibva yazopinda iri whatsapp message.

"Iwe usakata foni yangu. Itopfavira zvako ngoma usiku urefu uyu wazvinzwa. Inini wakaita zvako
zvekukata kata foni izvi ndinokuita zvinogara zvakadaro. And you will lose your job remember my mum
is your boss. Now listen inini Im not here to harm you. But kutaura chokwadi ndongokufarira so, why
cant you just return the favour. Its very simple wani?" Ndakapererwa nemessage iyi. Ndakati zvirinani
kuidzima Mavie asaione. Ko akaiona aizotsamwa ndaisada atsamwe asi imwe pfungwa yakati kwete
usaidzima asi ndakazongoerekana ndaidzima.

Chii nhai iyi ndo muyedzo chaiwo saka ndoita sei nhai haaa Lindsay ratova ronda ramera mumhino
mangu uyu. Zvino ndorikwenya seiko ko iye paakati kuna Mavie ane zvaanoda kumuita airevei ndizvo
here zvaareva zvaakuita izvi. Kuda ndomviro mviro dzacho dzemhanza ka hanty mapfeka. Manje haaa ini
haandikwanise so long as ndiri sober haana zvaanondiita ini. Its better ripere basa racho pane kuti
ndiitwe muranda nenjapisi Lindsay. Ndoda kuona kunowira tsvimbo nedohwe......

End of chapter 21

*Cee n Bragg vanokudai*

*God bless you*

[11/05 07:30] MANGWENYA: *WAKANDIGONA WENA*💔💘

WRITTEN BY

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

+27641791014

+263777692392
Chapter,,,,,22

Ah saka manetsero akuda kuita Lindsay aya handina chokwadi tikamukunda isu,apa chakunyanya
kundivhundusa ndechekuti Lindsay amai vake ndiye boss waThemba umm amana ka zvakaoma chaizvo
asi kuti dai akadanana naThemba aimunzwira tsitsi here kana kuti aingomuonesa moto kuti wacha
maPant angu nekuti ukaramba mai vangu ndiyemurungu wako ah Hameno ikoko ko ndikatanga
kutsemuka musoro pakadai zvingafamba here. chero zvazvaita ndizvozvo tinotangira ipapo ko ndini
ndadii ko pana Themba handisi kuda basa ka ini ndirikuda munhu. kunze kwanga kwakunoedza
pandakapinda mukufunganya kwakadzama kudai apa ndisina kana wekutaura naye. 'Ah good idea regai
nditaure naMaidei hangu than kuti ndingofira mukati. Ndakabatidza foni wanikwe dzatova kuma to 5
ndakabva ndatanga kufona ndichiitira kuti kana Maidei akarara amuke coz ndaida kuti ndimbozorodza
pfungwa. Shuwa kuvanemunhu waunongoti shamwari chinhu chikuru ndatenda hangu,. zvese izvi
ndakange ndofunga hangu foni yangu ichirira hayo. "Hello Maidei sha ndashaya hope ndikati regai
ndimbobata sahwira wangu ko ndingaita sei nhai apa kunze kutononoka kuchena. maidei akapindu.
"Asikana kutadza kurara munhu waManager ane mota ko isu ana maidei tozodii nhai tinongoswera
tichitevera madziro sedzvinyu. kana imi motambura isu tozodii nhai asikana musadaro henyu dai
matotipawo basa pamwe zvaifamba hazvo." Maide kwana apa munhu waManager ndiye
asingarwadziwe here,ko kana zvisiri zvekubasa hanty zvinongouyawo kumunhu wese here usadaro sha
unondirwadzisa nezviri kuitwa naLindsay ka usatombodaro hako cause nditori pama 1 chaipo. "Ah sorry
asikana ko aita seiko ingotidana isu timubvise chimoto chaanozvivesera mubhurugwa make, indava
achizvikudza kudaro kuita kuzvifonera chaiko,manje kwaakutambira kunonyudza." kkkkk iwe sha mai
vake ndiye boss vaThemba saka ndozvaanotemba izvozvo asi dai pasina izvozvo ndaimurova ini. "Ah nhai
Mavie inga wati ndimai vake uye ndivo boss vaThemba saka zvinondibata papi dai vari mai vangu
zvaindibata hazvo uye dai vari boss vangu futi zvaitenge nani ka ndaiti ndaizodzingwa basa asi manje aita
munyama wekuti Maidei wacho anoswera achitoridza ngonono mumba mavo kwete yekuLodger."
akadaro Maidei,. kkkkk iwewe so ka mazi rough ako akaoma shuwa kkkk wazondinakidza hangu. ok its
fine ngatimurongere timbomubata bata hedu ko zvinoramba nei kana iwe wadaro. "Ehe hazvirambi
totomutsvaka nhasi uchibva kubasa toda kumuundura manhenga aari kuda kukudza muhapwa dzake."

Kkkkkkkk ah zvamaidei so ka zvinotokunda ngoma kurira kuti uti ndezverudzii unotoshaya nekuti mwana
anotaura zvaanoda hake uyu. ndakazokata foni ndatoona kuti nguva yangu yekunogeza yakwana kana
iye wacho ndakanga ndamuguta zve kkkk pamashoko chete kana strees yangu yakabva yatopera hayo
ndikangoti zvaita. ndakamuka ndikananga kunogeza apa ndakanga ndototi dai ndikamuwana nhasi
musikana uyu , mai vake ndivo manager manje ini ndini nditori manager kubasa kwanguwo saka draw
draw 6 na 9. Ndakazvishingisa kuti ndaiva ndotoda hondo naye Lindsay wacho,asi ndakati handina kana
chandinoudza Themba kana 1. Ndichipedza kugeza ndakananga muroom mangu ndikagadzirira hangu
ndikapedza apa ndakanga ndisina kana kutarisa foni yangu ndakazoitarisa pava paya ndikatoona
mamissed call aThemba ndakabva ndatofona ndichitoonekana namom vanga vakarara zvavo,ko
vangavava boss wo ka. ko hanty vanga vava nekashop kavo here so maboss. zvanga zvasiyana nemazuva
avo ekumukira kumbare kumusika. Ehe zvanga zvakadhakwa asi ndizvo zvakatikudza kubvira dady vangu
vaenda havo. Hello honey kurisei how was your night my Love. "ah sha ma1 ndakatoomerwa so
ndafonerwa naLindsay usiku achiti kana ndikasadanana naye ndisatambisa nguva kuenda kubasa so ma1
handina kana kwekunanga apa ini hangu ndapererwa." akadaro Themba hana yangu yakabva yarova
wena ndikabva ndangopinda mumota ndakangoshama kuti zvechokwadi paipa apa. Ok Themba saka
wafungei Basa neni? kana urikuda zvebasa wotomhanya naLindy wacho. "Handikwanisi kumhanya
naLindsay nekuda kwebasa, chero zvikanzi ndirikumhanya naLindsay hazvimbondipi mari yakawanda
kubasa kwangu. ini ndakapikira kukupa rudo iwewe kusvika wanzwa butter. So kana Lindy achirwadziwa
achasvika pakufa asina kupora nekuti ini hangu newe ummmm ndinosvika mukufa. Saka rega tione kuti
varikuda zvipi iye namai vake dzatova nyoka dzirikuda kundiparadza chaiko manje vanoona moto coz
ndirikubvira kupfuura moto.",, Ah hoo zvakanakai baba ndinokutendai kana mune moyo wakasimba
kudaro sewekamba wekuti inofa iwo ugosara uchingoshanda kusvika yaora.Ini ndakutobuda pamba
kuenda kubasa kwangu. Ndakabva ndakata foni ndikabva ndabuda hangu ndakananga kubasa hangu apa
ndaingonzwa pfungwa dzangu dzichiita zvadzo zvadzo ndichiita kunzwira lindsay hure hasha. ndichisvika
kubasa ndakanopaka mota yangu ndikabva ndauya pabasa ndikatoona vanhu vanga vatomirira
kuvhurwa kwepabasa apa shift yanga ichibika husiku yanga yakutobuda zvayo yoenda kumba. ko
takanga tava nemashifts maviri nekuda kwekuti pabasa panga pava busy zvekuti ivo GM vakatoona kuti
zvasiyana ndakapedzisira ndakunzi toda kuti uite uchingochinja ukaenda kuneimwe KFC woenda
kuneimwe uchingosiya zvinhu zvakufaya kudai. Ndakatoona wo kuti Mwari unoda kundiisa padenga.
ndakafara zvekuti ndaiva ndava kutoenda pamusorosoro chaipo. Takaita hedu basa musiuyu asi Themba
haana kana kumbofona kusvika paLunch. Ndakangozvisiya hangu coz panezvimwe zvekuti unofonera
munhu iye atoriwo pama 1 hake. ndakazongoona kuti zvirinani iye anditange kana ava free kana kungoti
ndozomufonera manheru ndakuenda kumba.

Nguva dzakasvika kuma3 ndikaona GM vachisvika muoffice mangu ndikabva ndanzwa kufara hangu coz
ndaiziva kuti pese panouya GM ndinotoiswa paneimwe nhanho its obvious kuti zvaitodaro ko ndairova
basa namazvo ka. Welcome GM. "Thanks ma'am how are you today." Am fine and you my boss.
takakwazisana tikapedza vakabva vatopinda munyaya yavo wena. "Honai ka madam Mavis nyaya iripano
idoko and inongoda imi chete haidi mamwe maManager asingazivi basa, nyaya iyi ndeyekuti company
yakura takuda kuvhura rimwe Branch paChisipiti apo. Saka nyaya yacho ndeyekuti kana zvikabudirira imi
tinokukumbirai kuti mutibetserewo nekuenda kunovhura ikoko so we need a team yamunotsvaka imi
kuti vanoshanda nemi ikoko and then kana zvaita munotora vamwe 5 pano vanonobetserana nevamwe
vamunenge matsvaka ikoko. so ndicho chichemo chedu chabva Direct kuna Director vedu vaya
vakambouya panyaya yenyu nemumwe wenyu uyo wekuKFC yekumbare iya." Ok boss zvataurwa nemi
handikwanisi kuramba if you say jump i don't have to ask why, but i have to ask how high so itai kuda
kwenyu neni, ndinoenda ikoko kuChisipiti ndonobetserwa naMwari kubata basa racho. ndakapindura
zvekuti ndakaona kuti GM vagutsikana nekuti vakabva vatokumbira foni yemuoffice mangu vakabata
Director vakavaudza kuti takanga tanzwanana. zvisinei GM vakazobuda havo vakaenda havo. Ndakasara
ndichitadza kugara coz ndaisaziva kuti Mwari varikuda kuti ndiite sei nhai ndakangoti zvamunosimudza
marombe kubva muguruva baba ndazviona kuti ini ndiri rombe renyu ramava kusimudza kuisa
pamusoro. Takazopedza basa mari ikauya ndikaiverenga apa masales aingokwira hawo every day
hapana kana zuva raaichinja wena ummmm Mwari vakanaka shuwa dai vasiri Mwari ndisiriwo Mavie.
ndakazobata Themba ndapedza basa ndichida kunzwa kuti anga aswera sei. ndakafona kaviri foni
isingadairwi ndakazodairwa nevoice remusikana zvekuti ndakapererwa ndakada kubvunza kuti ndiyani
ndikatadza nekuti ndanga ndatogamwa kare zvikanzi... "Iwe ukwane wanzwa enda unodanana
nehanzvadzi yako hakuna mukomana anoitwa kunge hand bag rako. kana asiri pauri mukomana haasi
wako wanzwa ukwane uite mushe tengera kamoyo kako juzi kanenge karikupindwa nechando iwe
kamboyi." Oh akadaro musikana uya asi voice harina kana kundiitira inzva ndakatonzwa kuti uyu
munhu ndiye munhu 1 arikuda kundishungurudza,asi moyo wakaramba ndikati haasi nekuti ko foni
yaThemba aiwanepi uye ko kuzotoidaira asi Themba abvuma kudanana naye nekuda kwebasa.
Ndakazvibvunza mibvunzo ndikazvirega. Ndakazoita zvehasha ndikati iwe hure ndiwe aniko hey!!! "Ah
hure ndiyani iwe usaita seusina kukwana kana ukandiziva ndokuti ugondidii nhai mai nhiya. Ndini .........."

END OF CHAPTER 22

YADZOKA BY PUBLIC DEMAND

*WAKANDIGONA WENA*💔💘

WRITTEN BY

*BS.BRAGGNAVE.SIKAZ*

+263777692392

Chapter,,,,,23

Nhaiwe kana ndikakuziva kana ndikasakuziva i don’t think kuti zvinondibatsira chinhu and hazvina kana
chikafu cazvinounza mumba medu zvekukuaiva . by the way ndinokuziva kuti unonzi hure chete saka
usada kundikwatisa nekuti mai vako mukuru wpabasa paThemba wanzwa ini handishandiri mai vako
nditori nebasa rangu other wise nditoriwo boss kubasa kwangu mhani nxaa. Ndakataura mashoko aya
ndahakira nezvakanga zvaitwa naLindsay ndakatoona kuti akuda kutopinda mupant mangu manje
ndakamuflasher newet nxaaa. Ndichingopedza kudaro ndakakata foni yangu ndikabva ndatopinda
mumota mangu kwakunanga kumba hangu. Ndichisvika kumba handina kuda kuedza foni yaThemba
nekuti ndakanga ndotoziva kuti yakanga yatorwa nehure iri. Ndakangosvika ndokunanga kunogeza ava
mom vanga vasati vauya kubva kubasa kwavo havo. Ndichipedza kugeza ndakapinda muroom mangu
ndokurara hangu paBed rangu hapana kuita time kamunin’ina kangu kakabva kapinda muroom mangu
kachifara hako. “Sisi maswera sei nhasi ndadzoka kuchikoro ndapiwa Home work.” Ndakatambira home
work iya ndikaita naye hangu asi ndaiva ndakadumbirwa nesituation yandakanga ndinayo yaLindsay.
Ndakati ndichipedza ndakanzwa hooter pagate ndikaziva kuti uyu ndiTemba chete akuna kana mumwe
munhu angaita zvekuridza hooter ari pagate kudai. Ndakabuda ndikaenda pagate wanike Themba
akatopaka mota hake. Ndakasvika ndikavhura door ndikapinda ndikavatisa seat iye anga akatovatisa
rake achiratidza kudhiniwa hake. “Maswera sei madam bos masibanda.’” ,,,Akadaro Themba
ndakangodaira ndakaneta zvekuti iye akazviona kuti shasha yakabatika panapa. “Ko matsamweiko nhai
mashumba wangu ko chii chaitika apa mukuratidza kungobatikana so nhai chii musasuwa kani mukadzi
wangu.”,,,, Ndinofarirei nhai Themba you expect me to be happy ini ndiri pama1 akadai so please
usadaro hako handichazivi chinonzi rudo nekuda kwemunhu wako uyu ayewa sha its too much now.
“Stop stop Mavie. Ko ini ndini ndinemufaro here nhai ndingafara sei kana ndiwewo hako vanhu
vakutondionesa wo moto ndivo vandingafarira here nhai. Ah usadaro hako siyana nenyaya iyi instead
yekuti tifunge way forward wakutondipa mhosva futi saka ukuda nditizire kupi nhai Mavie. Kubasa
kurikupisa kuno kumba kopisa futi here saka ndodii nhai babae wangu usadaro hako honey.
Ndinonyaradzwa nani kani iwe uchindiita sekunge ini ndanyenga munhu ini ndiri ini ndikutonetswa
hangu usadaro please saka ndoenda kwaGutu kunamom vangu here nekuti handina anondibatsira kana
ndapinda mudambudziko nhai babe its ok ndakusiya basa ndinogara kumusha hangu ndichitsvaka basa
hangu.” Akadaro Themba ndkabva ndanzwa tsitsi kani. Ooh no Themba handina kuti uende kumusha
kana kuti ubatikane mumwe wangu asi kuti zvikuita Lindsay is out of my expectations sha. “So what am i
suppose to do nhai Mavie ndoita sei saka ndodemba kuti ndakaberekerwei here nhai. Ndoita sei please
tell me kuti ndomumisa sei, look now aenda nefoni yangu even my job i am going to lose it.” ,,,Zvirinani
sha basa racho ripere than kuti tiite sekunge tese tirimujere nekuda kwebasa sha or else. Ndakadaro
ndatodhiniwa kusvika panothing chaipo. Ndkabva ndaona foni yangu ichiuya nekamunin’ina kangu
kachimhanya ndakashaya kuti ndiyani afona coz ndainyatsoziva kuti kana ndirikumba vanhu vanofona i2
chete Themba na Genaral Manager chete. Ndakaona iri number yaThemba ndakaziva kuti niye Lindysay.
Ndakangobaya answer ndkabva ndaisa panzeve ndokunyarara hangu.

Caller,,,, hello

Me,,, makadii henyu ndiyani uye murikudei pafoni yangu.

Caller,,,, ndokumbirawo kutaura naThemba kana aripo ipapo.

Me,,,, asi murikufunga kuti ifoni yaThrmba here iyi , kana kuti marasika kwamanga muchida kufonera.

Caller,,,, Aripo ere Themba yes or no?

Me ,,,, kana pari pafoni yake pamafona aripo.


Ndakadaira ndakaita kudhiniwa nai vanhu kuda kunyengererwa nekuti vakuru vebasa ini no handidaro
hangu ndinotoziva marights angu handingoitiswe zvese izvi. Ndakanzwa foni yakatwa ndikaziva kuti
ndapedzera munhu wangu manje. Ndakazotarisana naThmba apa airatidza kuti afara nezvandadaira asi
akazoti. “Honey ndinogona kudzingwa basa apa kumba kwedu ndini ndinotarisirwa ndine vafana vangu
vandinoendesa kuchikoro saka hey ndikamiswa basa ma1 anenge atotanga hako.” Akadaro Themba
achiratidza kupererwa. Ahiwe saka ukuda kuita sei nhai Themba urikuda kuti ndikusiye uchidanana
naLindysay kuti usadzingwa basa here. Ndkabvunza apa ndaiva ndavhura door ndabudisa gumbo panze
nekuti maitiro akanga akuita Tehemba akanga akundisvota kuita sezvinonzi ndiye atanga kudzingwa
basa ah noo mhani. Sha enda unodanana naye musikana wako ini ndisiye hako coz ukuda basa kudarika
inini hako. “ah Mavie mira Mavie hey don’t go please Mavie.” Akazosara akutaura ega ini ndakanga
ndatova mugate ndatorivhara ndakanzwa asimudza mota yake akuenda ndakapinda nuroom mangu
ndkachema zvisina kana kudzoreka apa ndakazongoona mom vapinda muroom mangu. “Saka Themba
anga achiti wamuramba asi ichokwadi here nhai mwanangu asi ndikuona sekunge iwewe ndiwe
warambwa come on tell me Mavie chii chaitika.’’,,,,,,, mom zvenyu ndaona sekunga Themba anoda basa
kudarika inini saka ndati ngaamboita zvebasa nemwana waboss vake zvipere hazvo. Ndakatsanangurira
mom ndakaona mom vachiseka so. “Unozivei mwanangu mukomana wako ndiye auya kuzonditora
kubasa andiudza zvese zvaitika mira ndikuudze kana ushida kuona mukomana wako kuti arikurevesa
tarisa chiso chemumwe wako unonyatsoona kuti zveshuwa arikurevesa. Saka iwe usawanza hasha tanga
wafunga kuti akasiya basa achaita sei. Kana pasina zvekuita anoshanda asi akangongwarira kupomerwa
chete even akazodzingwa nekuda kwako iwewe zwobva waziva kuti mukomana wako anokuda zve
nhai.” Vakadaro mom ndakanzwa tsitsi nemashoko akanga ataurwa naThemba achiti zvirinani kuti
aende hake kumusha kunogara namom vake hake nekuti ini ndatadza kurwadziwa naye nezvaakanga
akatarisana naye. Ndakafunga kaviri ndikabva ndamuka mumachira ndikapfeka hhangu bachi rangu
kwakurova pasi ndakananga kumba kwaThemba. Ndichisvika pamba pake ndakawana pasina munhu,
ndakashaya wekubvunza ndkashaya kuti ndomufonera papi since akanga asina foni. Ndkazongofunga
hangu ndikati regai ndiende kunotarisa kuti haana kuenda kubawa ere ndakarova mota ndakananga
kuPamview ndikasvika paya poakangozara vanhu ndakatarisa ndikamushaya. Ndakambobvunza vanhu
vaivapo vakati aiwa kana kuonekwa haana kana. Ah munoziva kunonzi kupenga kuenda kunotsvaka
munhu kubhawa iye asinganwi doro ndokunonzi kurwara nepfungwa kwandakanga ndoita apa.
Ndakazodzoka angu lolo nekumba kwake ndikasvika mota yavapo ndikafara kuti Themba adzoka zve.
Ndakapinda padoor ndikaona rakangoshama. Themba! Themba! Ndakadana kaviri ndikasadairwa
ndakapinda kubedroom kwake ndakawana akabata bhidhoro yeViceRoy acitopedzisa kunwa apa akaita
kuzara misodzi nedzihwa.

Themba yoo. Themba you want kill yourself right. Ndakanga ndotaura ndega hangu Themba akanga
asisakwanisi kana kusimudza ruoko rwake. Ndkamusimudza ndichichema manje apa zvakanga
zvisisabatsiri chinhu. Ndakamubvisa hembe ndikamuisa mubvura mudish replastic raiva mumba.
Mdakaona munhu aciita kasimba mbichana. Ndakatora foni yangu ndikafonera mom kuvaudza zvakanga
zvaitika. Ndikavaudza kuti hazvichaiti kuti ndiuye kumba ndichisiya Themba ari mu this situation coz
akazofa still ndini ndinenga ndaita loss. Ndakaisa Themba wangu mumachira apa aitodikitira hake. Ini
ndakabva ndatora rangu gumbezi ndokurara paside pake hangu. Ndakazoti kwava kuma 3 dzekunze
kwoedza ndakaona shasha yamuka ikanochera mvura ikanwa ini handina kana kutaura naye iye wacho
aiva akadhakwa still nekuti haana kana kundiona. Akasvika akanwa mvura akachona ndakasimuka
ndikadongorera ndakaona shasha yakafenda hayo pasofa. Ini ndakatobva ndavata ndokuzomuka kuma5
ndikatora mvura ndikapinda mubath room ndikageza ndikapedza ndikadzoka manje ndikamumutsa
pasofa paya. “ah ah ndiyani uyu iwe Lindysay ukudei muno ukudei kana riribasa handichadi ini wakuda
kunditadzisa kuronga upenyu hwangu nemukadzi wangu ayewa noo.” Themba!Themba hey stop it
ukupenga here lindysay waurikutaura wamuonepi kwana apa. Ndichingodaro shasha yakabva yamira
kurotomoka kwayakanga yakuita ichibva yatoti ziii. “Ah Mavie wauya nguvai pano nhai.” Ndakaona kuti
shasha ikutotadza kuziva shuwa. Saka iwe ukadhakwa kudaro waida kudii mota chaiyo wakangosiya iri
on ndini ndakatoidzima ndarar newe pamubedha apa kana kuzvinzwa saka wanga uchida kuzviuraya
nedor here nhai Themba. Ndakamubvunza Themba asi akamboramba akanyarara hake kwakuzoti.
“Ndoraramirei nhai Mavie, do you think ndingararamira Lindysay iwe wandiramba ah nooo. Shhua ini
hangu ndakafanira kurwadziwa noti kufara hanty.” ,,,Themba stop it kani chiiko newewo waitwa Seiko
nhai. Inga ndakakutevera wani kuti ndione kuti wakafamba sei honey ayewa zvakapera shaa usatya hako
kani usatya. Ndakadaro ndakatarisa Themba kumeso chaiko akabva angonditarisa apa misodzi yake
ichitanga kubuda. Umwaaa mwaa mwaaa mwaaaa aha mwaa ah yooo. No Themba not now please
Themba stop it tichasvika ikoko hedu ngatimirirei ipapa. Ndakadaro ndicisunda Themba nekuti ndakanga
ndaona kuti nekiss iyi ka ndakutozviparira nekuti shuwa my feelings was so high kani. Takasiyana paya
kwakuchitovunduka ndanzwa foni yangu yorira manje. Ah ndimanager oh my God.

General manager,,,, Hello sister Mavie mamuka sei. I hop u ready kuenda kuchisipiti nhasi kunew branch
ka.

Me,,,,yes GM am ready ndakutosimuka kumba kuti ndiuye ikoko.

GM,,,, ok its fine huyai henyu, hanty vanhu vatatu veikoko kuJoina City mava navo vanonokubatsirai.

Me,,, yes ndinavo ndinoenda ndichivatora toenda ikoko ndozowedzera vamwe sekutaura kwamakaita.

Gm ,,,,, ok Manager thanks nekugara makangwarira basa henyu.

Gm vakabva vakata foni yavo. Sa ndatononoka ndakuenda kubasa iwe geza uende kubasa hanty.
Ndakabuda paya ndikamutsa mota yangu ndikananga kumba ndakangosvika ndichitora book rangu
rekubasa ndikabva ndananga kubasa hangu. Ndichisvika paJoina city ndakatora team imwe yaivapo vari3
Ivine,Simboti naMakore. Ndichibva ndabuda hangu asi team yangu yakashushikana ndichivaudza kuti
tinoonana kana Mwari vandidzosa pano. Ndakasimuka takananga kuMsasa hedu uko kwatakasvika GM
vakandimirira nemumwe manager aivako aifanira kuenda paJoina kunotsiva dzvimbo yangu. Right Gm,
uyu mukomana wechidiki anonzi Ivine uyo ndiSimboti arikudivi ramuri uyo ndiMakore iyi ndoteam
yandinoda kuenda nayo uko nekuti vanoziva basa asi ndasiya maSinior hangu kuti vanouya paJoina
vasazotangidza kudzidzisa vanhu ini ndini ndichatsvaka vamwe vatsva vanotibetsera ikoko kuChisipiti.
Ndakadaro ndikaona GM vachinyemwerera takasigner mapapers evakomana vandaiva navo tichibva
tazopiwawo intro naGM. “uyu anonzi Mavies our best manager muno muzim saka ndisinior wenyu
musashora kuti mukadzi asi basa anoziva hake saka musamutorera pasi. Kkkkkk” ,,,,,Vakadaro GM
vachibva vaska havo. “Ava vanonzi vaZezai ndivo vatakuisa kwawabva tikaona basa rakudzikira tobva
taziva kuti ivo ndoproblem hanty ka.”,,,,, KKKK kkk ndakaseka hangu ndichivakwazisa. Nice to meet you
Mr Zezai. Ndakadaro ndavatambidza ruoko. “ Nice to meet you too Best Manager Mavies.”
Ndakangonyemwerera asi ndakaona kuti ummm apa panenge paita kaJelous kabata kuvakuru ava.
Takazobuda paya takananga kubasa. Ndicisvika pabasa ndakaona parinani hapo than zvakanga zvakaita
kuJoina City pakutanga. Ndakabva ndati pano ndoita mbiri manje.

Right guys lets do work sezvatakangoita kuJoina is the same here. Regai ndinotora vamwe vanhu ndiuye
muite sekunge mati wandei henyu. Ndakasiya vakomana vakutoita cleaning havo ndakamhanya kumba
ndikanotora Maidei shamwari yangu zve ko unotanga newemumba ka wozotora vamwewo hako.
Ndakazotsvaka vamwe 2 Sharon naMagret. Magret ndakanga ndichimuda nekuti akamboshanda
kuChicken inn saka ndaiziva kuti haazorasiki zvakanyanya. Ndichibva ndadzokera navo ndikasvika
vakomana vaita mashura kani vacleaner zvekuti kana vasikana vakashama kani. Ndakafara kuti umm
vanhu ava vanoda ndifambe nemota ivo vasina shuwa Dai Mwari avapawo zvizhinji. Ndakagara pasi
ndikataura neteam yangu ndikavafadza ndikavaudza kuti munhu wese kupera kwemwedzi tine
promotion. Worker of the month. Saka vese vakanga vatsividza kuti vaizoshanda zvakanaka kuti vawane
mubairo. Ndiripakati pekutaura neteam ndakaona foni yangu ichipinda. Ndikatarisa ndikaona inumber
yaThemba. Ndakamborega kudaira ndichiti pamwe ndiLindysay. Ndakazoona adzokorora kufona
ndakangodaira ndikaisa panzeve ndakagadzirira kutuka munhhu mhani. “Hello Mavie ndavakumba sha
ma1 basa,,,,,,” Heloo Themba basa kudii hello, ndakazosara ndotaura ndega ndikaita mudumbu ndikati
asi kuti basa rapera hiiii ndakangoti. Guys we done for today hyandei kumba tosangana mangwana love
you all. Mese munondimirira mutown paChiken Inn muna Chinhoyi. Ndakatakura vanhu takananga
kumba ndakasiya vaisara mutown ndikadarika nevaya 3 vandakanga ndawana kumarai. Maidei ndiye
akazoda kunzwa kuti chii chaitika asi ndaitadza kutaura ndakangoti ndokuudza paapp ndichibva
ndavaburutsa vese muline mavo since vese vaigara muline1. Ndakananga kumba kwaThemba
ndakawana Themba aka........

*END OF CHAPTER*

NEKUDA KWEMAFANS HATINGARAMBI TINYERERE.

You might also like