Professional Documents
Culture Documents
Written By Rue M
0788357900
Me: Nani?
Dad: NaMai vako, vanga
vachipopota seyi. Apa
vanopedzesira vatsamwira munhu
wese manje, muchembere wako
time time ma1.
Leon: bhoo.
Kwaitongova kuzvinetsa kwavo
vanaMom. Hasha dzacho
dzaidzamara dzapera. Vaingoita
stress nezvinhu zvisina basa. Dai
zvichinzi doro racho ndainwira
kubhawa manje pamba pedu aah.
Ndaitotatarika nekusimuka Mom
pavakauya vega kuzonditora.
Ndakangovatevera kumasure
tichienda mulounge. Pandakaona
Christin pfungwa dzangu
dzakanyumwa chaizvo. Hameno
ndanga ndafarisirei. Mugoona
Christwish anga
atombindiyambirawo ini ndikati
hameno ikoko vanhu vekwaChika
vanongoda kundiona semwana izvo
kutondishuvira zvakanaka.
Akanditarisa neziso rine tsitsi. Dad
vakabva vati, " hey young lady taura
nyaya yako".
End of chapter 1
we areone
Written by Rue
Chapter 2
*Natasha*
Ndakazomuka after
ndabhabhatidzwa
mangwanani.Ndakamuka
ndikagadzira mumba mangu
nepamba. Semunhu aisainda
kuchikoro kana watopedza basa
repamba it's either unorara kana
kumbeya neraini uchitsvaga
makuhwa. Ndaisamboverenga
Mama vachiona nekuti vaibva
vatondipa basa chairo saka
ndakafunga kuenda kumaricho
zvangu. Baba vaisatombozvida
zvevanhu vanongorarama
kahupenyu kekupemha nekunzwisa
tsitsi kuvanhu asi ini
ndaisambozvitsvaga nekuti Mama
vacho vaisatombondipa kana mari
yemasanitary bads saka
ndaitofanira kuzvishandira. Mama
handina kumboshaya nhema
dzekuvaudza ndokubva ndabuda
ndakuenda kwaMai Shumba.
Vaingombowera kuti vaisabikira
vanhu vemaricho chikafu hameno
kuti vaiti tinodya mweya mutsvene.
Apa vaitevera musure vachiona kuti
hapana chibage chataive tasirira.
Yaive nguva yekukohwa saka
vaitoda kuti tivhune chibage kutema
majanga nekumaunganidza
panzvimbo 1. Taitovewo navo
pamaricho acho.
Ndakatanga kuvamhorosa
sezvavaindiitawo kana ndanotaura
navo ndisina kuvamhorosa.
Vakaramba vakanyarara zvavo ini
ndikaenda kunomwa mvura
mubacket nechemumoyo ndichiti
kana makuda kutaura nyaya
muchandiudza. Ndinenge ndanga
ndatopindwa nemweya wehurude
soo. Zvaingozviita zvega so
ndaitomwa mvura ndichiita noise
nekuridza huro. Ndakaona chiedza
chawedzerwa mumba nekamwe
kasound ndakatombofunga kuti it's
lighting and thunder izvo ndini
ndaive ndarohwa zenya. Ndaive
ndajaira maoko aMama
asingarwadze not ababa
akagwasharara. Ndakanzwa nzveve
yangu ichirira ndikapotsa ndavapa
mari, "ndichiti mudhara munorova
torai mari yedrink"
Me: Ehe ndaenda kwaMai Shumba.
End of chapter 2
Chapter 3
Written By Rue M
0733197373
0788357900
*Natasha*
Me: Natasha.
Her: Wekupi, how did you end up
here. Where's Shelly?
Written by Rue M
0733197373
0788357900
Chapter 4
*Natasha*
Yaingova nyaya yekuti Mai Shumba
vaive kure neni otherwise dai vaive
padhuze ndaivadira zvifight naMwari
kudai. Mai Liam havana kana kuda
kundibvunzawo kuti zvafamba seyi
kana kutii asi vakangoti, " unoona
Natasha pano handidi zvinhu zviri
complicated or what. I don't know
your issues with Munya's mother
but it's for the better kuti udzokere
kumusha. Izvezvi vabereki vako
havazivi kwauri. Kuri kuti tagara
newe pano, mangwana zvinogona
kuzoshatira isu paitika zvimwe
zvinhu. I'm not saying uri mbavha
noo don't get me wrong I'm just
saying that i don't know you, your
background and staff. Kanga katori
kekutanga kuti ndiite maid mudiki
sewe usually ndinoshanda nevanhu
vari trained but yanga ingori nyaya
yekuti Mai Shumba vaiti hupenyu
hwaShelly hunosiririsa that's why
ndanga ndamupa basa".
Me: it's oky.
Chapter 5
Written by Rue M
0733197373
0788357900
*Natasha*
Takanzwanana zvakanaka zvikadii
paya nemwana waRue. Tave kuenda
kumusha ndaida kugara hangu
kuback kuti ndisazonhuhwire
munhu zvaaive amboreva chero
zvangu ndaive ndageza. Ndini
ndakatanga kupinda mumota iye
asara mumba mavo. Akasvika
nekugarawo kuback, ini" ko ndiyani
achadriver?".
Him: Kana uchikwanisa enda
kumberi unodriver?.
Me: huh?
Ndaitoshayakaa chandaiona
kwakubva atanga kuzvitarisa tarisa
achiti pamwe haana kugara
zvakana, kutogadzirisa hembe,
aitorwara mwana waRue.
Me: Aaah.
Liam: What.
Liam aitaura akanditarisa mumaziso
chaiwo zvino ini wenyara varume
ndaiita sendichamufuratira otaura
akatarisa gotsi. Kanyara kwangu
kwaisava kwekuda Liam noo asi
kungoti ini nevakomana hameno
zvaingovepo worse kutaura nyaya
tichitoseka kudai yohweee ndaibva
ndazviona senzenza zvangu. Ipapo
ndipo pandinozotanga kuseka
nezvisingasekese kuri kuvhara
nyadzi vanondiona voti mwana
anyura murudo izvo kwani
handitozive kuti murudo macho
ndopinda nedirection ipi chaiyo.
Ndavemo ndogara payi chaipo.
Seipapa mwana waRue paanga ati
ndine maplans naye ndakapotsa
ndamupindura kuti, " ko ndagova
Christin here anoita maplans
newe?" asi ndakazoti , " ndanga
ndakakutarisa kuda kuona kuti kana
wakura unenge waita saDad vako
here coz izvezvi makafanana
zvisingaite". Driver aiita seasiri
kunzwa nyaya dzedu akaseka
zvandaive ndataura neniwo
ndakadzokorodza zvandaive
ndataura mumusoro ndikaona
pasina zvandaive ndataura kunze
kwekubuda musaga. Iye Liam
akabva ati, " paya panga ndichiti
maplans neni ndanga ndichireva
hangu kuti sezvo iwe ndakanzwa
mbiri yako unogona kutondiba
wonondivharira mumba menyu
wotanga kungondiyeva zvako".
Akandinyengerera wani
ndikazotomuzadzira chisaga
chaicho. Hapana aindiona ndichiba,
chero pane aive andiona kuzotaura
vana Liam vaenda hakuna
zvakwaibetsera. Ndakatoita chifinhu
chekundidzinga kwaive
kwambondiita Mama ndave
kunotora rimwe saga re10kg yerice
ndichiisira Liam nyimo. Ndakatora
idzodzo dzavaive vakadzura, Liam
aingoti, " Natie iwe", zviya
zvemunhu ari kuziva kuti zvandiri
kuita zvichandishatira asi iye achida
nyimo dzacho. Akuda kupinda
mumota akabva andibata chirebvu
achinditi, " you're such a sweet
crazy soul. I'll never forget you.
Ndichakushanyira zvangu apo
neapo bestie wangu".
We Are One
Written by Rue M
0733197373
0788357900
Chapter 6
*Liam*
Kusvika kwaNatasha
kwakatombondipa mukana
wekufunga kuti Mama naDad
ndingaudze kuti chii chaizvo
chingaite kuti vatende kuti handina
musikanzwa yakadaro asi mabasa
edoro chete. Natasha paakasvika
vambotaura nezvake ava sisi ndipo
pavakabva vaita dzungu rekuda
kutoenda kubedroom mangu.
Takagamuchidzana mashoko, ende
ndakafarira paakataura zvemadrugs
ndakabva ndaziva kuti haasisina
mamarks kunana Mama chero kuri
kuti nyaya yazosvika pakutongwa
kuchurch vabereki vangu vaizomira
neni. Papi pacho pavaizoda murora
anoudza vatezvara nezvesource
yemari pamberi pepwere.
Written by *Rue M*
0733197373
0788357900
Chapter 7
*Liam*
End of chapter 7
*we are 1*
Written by *Rue M*
0733197373
0788357900
Chapter 8
*Natasha*
Me: Hello.
Liam: Ndyp.
End of chapter 8.
We Are One
Written by *Rue M*
0733197373
0788357900
Chapter 9
*Natasha*
Ndakataimira achangobva
kuishandisa paakabuda mumba.
Kuenda kuwhatsApp kuvhura pane
chat ravo wanei hapana zviripo
zvine musoro kwaitongova kutaura
kwababa nemwana. Ndakazovhura
chat rake nabamunini mun'ina
wababa aive anyora form six.
Imomo maive neyese manje.
Ndakangopererwa ndichiti Baba
vangarega Patie achidanana naFarai
vakangotarisa. Ndaida kutoona
magumo azvo and I was sure kuti
Mama vaisazviziva coz there was no
way yavairega mwana wavo
achidanana nemunin'ina wemurume
wavo.Isu ana Natie tanga
tangomirira musi wachinobvondoka
chete
Pamba pedu panga pangova
disaster kubva zvadzingwa Baba
basa. Umwe neumwe aingoita zvake
zvake. Ini naMama taigara tiri sona
sona.Kubuda nekufamba Mama
vaisarega zvekuti Baba vaisazviona
nenyaya yekubasa vanga vave
kuzviona. Manje kuti vakwidzire
voice breadwinner vaibva vatanga
kutotukana chaiko.
Ndaitombovanzwira tsitsi baba kana
vorembedzwa pavanhu vachinzi
hapana chavanoita kunze
kwekungodya zvinoshandwa
nemukadzi nekutevedza ndari.
Sezvineiwo Baba vakazowana basa
rekuprinter paNyika growth point.
Ndakatonzwa kuti shop yacho
yavaishandira yanga yakabatana
nekagrocery shop kaidiwa musikana
wemushop. Ndakavaudza kuti
vandisotere basa sababa ivo
kwakutoita kuti Patie apinde hake.
Vakabva vatondibhowa kundibuda
chaiko sure vaisamboona kushusha
kwaindiita Mama, hanty ndaiti
ndikawana basa ndinenge ndatiza
nhamo yekuswero nyaudzwa
naMama. Vakandisvota zvekuti
ndakapotsa ndaudza Mama kuti vari
kurega bamunini naPatie zvisinei
ndakangosiyana nazvo.
Umwe musi ndiri ndega pamba
ndakatovarairwa zvangu ndapedza
basa ndakarara pamumvuri
ndakangotsikwa naMai vaLiam.
Ndaifunga kuti Liam aripo zvee ini.
Kutotarisa tarisa sendichanovhura
boot remota kuti ndione kuti
zvesure haapo. Zvakatondinetsa
kuti vainge vasvika pamba pedu
seyi ivo vaisapaziva. Chero zvavo
vaive vakandinyima basa pamba
pavo ndaingovafarira zoo,
ndakatomboda kuvamhanyira
chaiko ndokuzozvidzora.
Takamhorosana zvakanaka fani but
vaisaratidza kuva Mai Liam
vandinoziva. Vaive munhu ane
confidence soo but apa vaingove
down down kunge munhu arambwa
akatemba.
Her: Hoo?.
Hoo yaMai Liam yaive nemubvunzo.
Neniwo ndakanyara kuti ndaida
kuziva pese pana Liam as if ihama
yangu. Ko iye Liam kuzoudza Mai
vake every move, ndofunga kumba
kwavo ndaitaurwa big time.
Tichitotaura nyaya Mama vakabva
vasvika. Vairatidza kuti vari muhurry
isingaite.Mai vaLiam vakangonzi
maswera seyi chete ndokubva
vatonanga kubedroom kwavo.
Vasina kubvunza kuti ndiyani kana
kuti anodeyi. Ndakavaona vopinda
mubedroom mavo vakabudamo
nehandbag. Vakandikandira makey
ebedroom ndokubva vatorova pasi
vasina kutaura kuti vari kuendepi.
Muenzi akatoshamisika nazvo asi
akatadza kundibvunza sezvo
aitoona kuti neni hapana chandiri
kutozivawo.
End of chapter 9
We Are One
Written by Rue M
0733197373
0788357900
Chapter 10
*Natasha*
Ndasiwa paya naMai vemunhu
ndanga ndave kushaya kuti
ndovabikirei manheru. Kuvatarisa
type yavo vaisambodya chikafu
chemanga manga. Vanga votondipa
stress zvakare dai vaida kudya
mazai nesadza zvaive nani asi
ndakavanzwa kumba kwavo
vachinyeya tete vavo(Helena) kuti
vakavaisira sadza nemazai
vachinyatsoziva kuti havamadi.
Kwaisava kuti havadyi mazai noo
asi kutoti hamafarire nesadza chete
ende vanhu vekumba kwavo
vaitomaker sure kuti vawana
zvavanoda, ndakazviona two
minutes dzandaive ndagarako.
Ndakazofunga plan yekubika nyema
zvangu. Kana vaisadzina nesadza
vainwa netea. Vadziirwa neni zvavo
Mai Liam vave kutanga kundibvunza
bvunza nezvelife yangu.
Ndakatovabvunza kuti Liam haana
kuvaudza here sezvo ndanga
ndomuziva, vakaramba asi
ndaivaona kuti vari kunyepa zvangu.
Anyway ndakangovaudza same
story iyoyo. Kuzotondinzwira tsitsi
kani. Kutofeeler guilty nekundidzosa
kwavakandiita.
Baba naPatie vakadzoka kubasa
ndikangovaudza nhema dzaLiam.
Ava ndivo vanhu vanga vakatsva
focus chero nguva yekufunga
vakadzamisa pfungwa vaone kuti
ndiri kunyepa vaiishaya. Ndofunga
Liam anga atocaculator
nekubalancer maths dzake kuti
vanhu ava vanovharika seyi.
Mugoona baba vangu munhu anga
akatodzidzawo asi hudununu
ndaishaya kuti hwaibvepi. Patie
akabva abva pamba achiti ari
kuenda kuchurch. Zvakatondinetsa
kuti sarini achifarira church ende
iyo all night prayer yacho yanga
yangosvikira munzeve dzake.
Handina hangu kuda
kumuvhunzurudza pamberi pababa
sezvo taive vanhu vanokavhana
zvipande. Akabva atogeza akabuda.
End of chapter 10
*We AreOne*
*Written by Rue M *
*0788357900*
*0733197373*
*Chapter 11*
*Natasha*
Me: Zvii?
Me: Oky.
Liam: Ko zvaunenge watsamwa?.
Me: Hoo?
Liam: Ehe.
0788357900
0733197373
*Chapter 12*
*Natasha*
Me: Payi?.
End of chapter 12
0788357900
0733197373
*Chapter 13*
*Natasha*
*Liam's POV*
Musoro wakatanga kutema
ndichibva pamba pana Natty. Ndaive
busy nekufunga kuti mukadzi
waDee ndainomupinda neipi kuti
andinzwisise. Ndaiziva kuti kana
Momz vandinzwisisa mudhara
haizonetsa kusofter.
Me: Hello.
Hapana chandaimbonzwa munhu
achichema. Kutoridza mhere chaiko
zvekuti ndakadikitira nenguva pfupi
pfupi.
End of chapter 13
*Written by Rue M*
0788357900
0733197373
*Chapter 14*
*Liam*
Me: Huh?.
Her: Yes.
End of chapter 14
*We Are One*
*Written by Rue M*
*0788357900*
*0733197373*
*Chapter 15*
Natty: Hooo?.
Ndakatoshaya chandaive
ndamumanikidzira kutaura.
Mashoko ake akaita sekuti ndanzwa
kuti Dee kana Rue vatsikwa nemota.
Ndichiri kudzeya zvaaive ataura
ndakanzwa munhu atove kutovhura
door remota kuti abude.
Ndomubvunza paya hanzi, " hanty
wataura zvawanga wandidanira
ndave kuenda".