You are on page 1of 167

Amwene nemuroora

AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 1

"Halo...halo...ndi mancube here" ava ndimasibanda


amwene va Beauty vainge vafonera muroora wavo,"ehe
ndimancube makasimba here mhamha" akapindura
Beauty."Ini ndiri njanji chaiyo ndanga ndichida kuziva
kuti murikuuya kuzorima here sezvo mvura yakanaya"
,"moyo unoda asi homwe ndoirikuramba amai saka mari
yacho ikashaika Bruce achauya ega nekuti hazvingazoite
kuti tese tirege kuuya sezvo muchida mubatsiri."
Vamasibanda vakabva varidza tsamwa vakata foni yavo
vasati vapindura muroora wavo.Izvi hazvina kushamisa
Beauty nekuti hunhu hwa amwene vake aihuziva."Nxaaaa
iye Bruce akambokanongepi ko kasimbe ikaka gore
rakapera hakana kuuya futi korima kachiti kari kurwara
iyezvino koti hapana mari, vanhu varikuHarare kuchingezi
vakamboshaye mari here kana vakadoshaye mari ko isu
tiri kuno kumakomoyo kwaMutare totoite die ngehunger
zve" vakadaro va masibanda vachitaura vega.

Beauty aive akaroorwa naBruce Rudhaka.Vaive vava


nemakore anosvika mashanu vasati vapihwa chipo
chemwana naNyadenga.Izvi zvakaita kuti amai va Bruce
nedzimwe hama dzake vavenge Beauty sezvo vaiti
vanodawo muzukuru.Mumhuri yekwaRudhaka yose Bruce
nababa vake ndovega vaive vachine rudo naBeauty.Beauty
aishorwa pamwe chete nekusekwa nehanzvadzi
dzemurume wake achinzi ingomwa asi Bruce aimira naye
achimupa rudo rwakakwana.Beauty nemurume wake
vaigara, kuAvondale muHarare,achishanda muChicken
inn uye Bruce ari manager pabasa pamwechete ipapo.

"Honey mhamha vambofona" akadaro Beauty achitaura


naBruce,"hoo vati varisei" ,"vati vakasimba zvavo kwanzi
mvura yakanaya saka tirikuuya kuzovabatsira here, saka
ndambovatsanangurira nyaya yekunetsa kwemari asi
vanenge vasina kugutsikana nemhinduro yangu"."Hoo its
ok ndichataura navo nekuti mari yacho makwikwi
shamwari nekuti mari yanga iripo ndoyandikashandisa
pakupedzisa kubhadhara chikwereti chemota" akadaro
Bruce achiturika makumbo ake pasofa raainge
akagara."Dai mafanokwereta kubasa ndaendawo kumusha
kwacho ndanobatsirawo kurima sezvo last year ndisina
kuenda paya ndichirwara nemabayo tozongobatirwa mari
yacho pa pay" akadaro Beauty.Bruce akabva ati "Taura
hako babie rega ndizoona kuti ndoita sei."

Foni yaBeauty yakabva yarira ndokuona vari tete Leti


hanzvadzi yaBruce yaigara kumusha nevabereki vavo,
akabva adaira hake "Hevoi tete makasimba here", "kana
ndakasimba munoda kundiitei?Wakajaidzwa iwe mukadzi
waBruce ungati hausikuuya kuzorima waurikuda kuti
abhende musana achikurimira ndiani hee, mwana hauna
chaukuda kuita chakakosha chii kuharare ikoko iwe
wakagarira sadza mumhuri yedu" Leti akaita kumwaya
mibvunzo nhando kwakubva akata foni yake Beauty asati
apindura.Beauty akangoti kanha nazvo nemisodzi yainge
yazara pamatama ake ahana kuinzwa pfungwa dzake
dzatova kure."Chii nhai babe wangu taura neni" akadaro
Bruce achinombundira mukadzi wake paaive akagara.

End of chapter 1

Handei naro book 0777 861191 for comments feel free


ndimi munoita kuti zvifambe AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 2

"Bee taura neni mudiwa wangu uri kuchemei hanzi chii


nemunhu wawanga uchitaura naye asi pane afa kani“
akabvunza Bruce akatarisa mudzimai wake achida
mhinduro,"hapana chikunetsa sweety" akapindura
achiedza kusekerera achitosimuka kuenda ku kitchen
murume wake asati ataura zvakawanda.Bruce akatora foni
yaBeauty kwakutarisa kuti ndiani aive afona.Akaona ari
Leti mwana wamai vake ainge afona akabva atoziva kuti
pane mashoko akaipa aainge ataura kumukadzi wake ko
aivaziva ka vahanzvadzi vake ivavo."Ummmm izvi zvakuda
kutoenderera mberi sehembe yakabvaruka manje
ndichanoudimbura muswe iwowo pandichaenda kumusha"
akadaro Bruce achitaura ega.

"Mhamha ndakashura kamuroora kenyu zvekuti december


chaiyo anenge akabata riri gejo chairo pano kkkk"
akadaro leti achiseka hake achitaura na mai
vake,"hauchioni manje kuti ndopanoti mwanangu here
inga wagona chaizvo gotwe rangu ndosaka ndichikuda"
vakadaro masibanda.Mumhuri mana Bruce vaive
vakaberekwa vari vana,Bruce ndiye aiva ega mukomana
ari wechitatu Leti ariye gotwe kumberi kwavo vese kune
vasikana vaviri vaive vakaroorwa muHarare.Leti aive ava
nemakore 20 ekuberekwa asi aive mugari wepamba hake
sezvo ainge akagumira chikoro pa O level iyo yaaive
akafoira sezvo aive dofo hake kuchikoro.

"Amai mukati iye Beauty haasiriye arikufurira mukoma


Bruce here nekuti vasati varoorana Bruce aititengera
zvinhu hobho pano grocery re4months chairo tisina
chatoshaya pano asi izvezvi haatombotumire rinopfuura
2months munopaonawo sei" akadaro Leti achigadza poto
pamoto."Apa wareva apa mwanangu
ndakatombozvibvunzawo ka ini kuti hindava zvachinja asi
usatye hako tichanozvigadzirisa kwambuya chamu"
vakadaro masibanda vachikwenya musoro
wavo."Hamunyare vakadzi vakuru kuswero nyeya munhu
akazvigarira hake kudhorobha makaita sei, ndipeiwo
chikafu changu ndidye ndanenzara" vakadaro vaRudhaka
vachigara pakabhenji kaivemo muimba maive makagara
mudzimai nemwana wavo.
"Ah....hazvisati zvaita mhofu tanonoka kubika tichifunga
kuti muchanonoka kudzoka kumusangano kwamanga
maenda" vakadaro masibanda,"oh! tsvee zvekubikira
samusha uno muri busy kunyeya munhu anokutumirai
sugar makaita seiko imi, like mother like daughter,
ndichibuda mumba mandikunopinda umo ndoda kuwana
chikafu chapatafura" vakadaro vaRudhaka nezwi raive
pamusoro soro vachibuda muimba yekubikira.Mai
nemwana vakasara vomhanya mhanya sezvo vaiziva kuti
mhofu kana vachinge vatsamwa hapaidyiwa rinopisa.

Beauty akazokwereta mari kubasa ndokutenga tenga


zvinhu zvaaida kuzoenda nazvo kumusha.Akatengera
amwene vake matenesi akanaka nedress racho
kwakutengerawo tete Leti dress neka gogo kezera ravo
chaiko kaive kakanaka.Akatengawo grocery raipedza
3months chairo.Vakazopihwa 2weeks off kubasa kwavo
kwakubva apinda munzira nemurume wake vonanga
kwaMutare.Havana kumhanya mhanya zvavo sezvo vaive
nemota yavo honda fit saka hazvaimbovatorera nguva
zhinji kuti vasvikeko.
Masibanda vakaenda kwambuya chamu avo vaive
muporofitakadzi wenguwo tsvuku.Vakaenda
nemwanasikana wavo Leti ko papi pacho paaisara iye aive
chinamira chavo."Tisvikewo madzimai" vakadaro
masibanda vachikumura bhutsu dzavo vachida kupinda
pasowe pambuya chamu.

End of chapter 2

Am still writing vadikani ndinombobatikanawo nemamwe


mabasa saka book ndokupai anytime yandinge ndiri free
AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti
CHAPTER 3

"Svikai zvenyu madzimai matitsikawo nhasi manga marova


wena" vakadaro mbuya chamu vachigadzirisa zijira
dzvuku ravainge vakamonera."Hongu madzimai
tinotsvakawo ruponeso" vakadaro masibanda
vachipfugama pamberi pa mbuya chamu, Leti ainge asara
akagara panze pesowe."Manga mafunga kumudiiko muera
soko wamadai kufambira mangwanani ano" vakadaro
mbuya vaya.Mbuya chamu vairapa pamwe chete nekuroya
sezvinongoita n'anga asi vaizviita muporofita.Mbuya ava
vainzi vaive ne shavi renjuzu."Ndanga ndafunga kuti
nemwanakomana wangu atore mukadzi wechipiri kugara
kwamancube kana kuenda kwake handinei nako
chandinongoda muzukuru chete" vakapindura
masibanda,"Zvoga here oyi muti uyu monouisa pasi
pemubhedha mumba mavanorara nekuti ndaona vatori
munzira kuuya kuno mozongomirira kuona zvichaitika
vhiki rinouya chairo munenge makutopinza muroora
mumusha" vakadaro mbuya chamu.Masibanda vakatenda
ndokupinda munzira vonanga kumba nemwana wavo moyo
yavo yazara mufaro.
Vakasvikoita zvavainge vaudzwa kwakugara havo
vomirira vaenzi vavainge vanzwa kuti vari munzira.Kana
kudya chaiko havana ko vaigodyirei ivo vainge vagutswa
nemashoko emuporofitakadzi.Pasina nguva Bruce
nemukadzi wake vakabva vasvika.Masibanda
pavakangoona mota ichipinda paruvanze vakabva vaziva
kuti vanhu vavange vakamirira vasvika.Vakamhanyira
mwana wavo nemuroora wavo nemufaro chaiwo.Mufaro
uyu waisave wekufarira muroora wavo kwete waive
wekufara kuti zvavaishuwira zvaive zvava kuzoitika.Munhu
akati zino irema rinosekerera nyangwe nemuvengi waro
akareva chokwadi.Beauty akashamisika
nekamugamuchirwo kaakaitwa na amwene vake nekuti
mumakore ese apfuura vaive vasati vambomuitira
zvakadai akabva angoti nechemumoyo hameno pamwe
masamba achinja.
Hanzvadzi dzaBruce dzekuHarare kwakare dzakasosvika
kumasikati.Aive magariro emhuri iyi kuti muna december
ndopavaiungana vese semhuri vachifara vese.Va Rudhaka
vakafara kuona vana vavo kwakubva vauraya iri mbudzi
chaiyo.Musi uyu kwakadyiwa kukafarwa vanhu
vachiwirirana chaizvo.Ko vanasikana vekwaRudhaka
vaifarawo nemuroora wavo kana vachinge vaonawo amai
vavo vachifarawo naye.Beauty akanakidzwawo nezuva iri
zvekuti haana kudemba kuti dai asiri iye oga muroora
sezvaaisita pese paaiuya kumusha uku.

Vanhu vakatozoparadzana voenda kunorara mumwe


nemumwe kuroom kwake dzatova kuma11 dzeusiku
chaidzo.Beauty nemurume wake vakapinda muroom yavo
yavaisisvikira pese pamusha apa.Vakangosviko gunduruka
havo pamubhedha vasina kana kumboonga iye Musiki
akavapa hupenyu.Ko zvekunamata zvaiitwa naniko kana
kuenda kuchechi kwacho sezvo Beauty wacho aiswera
pamba achiwacha hake musi we Sunday sezvo uriiwo musi
waaisaenda kubasa."Bruce kani imbomira izvozvo kani
ndaneta ini ndanzwa nehope hausi kuoonawo kuti nguva
dzaenda here" akadaro Beauty achiudza murume
wake."Ndokunonzi kudheerera chaiko kwawakuda kundiita
uku, wakakwira mabhazi maviri kubva kuGokwe uko
uchivinga hope kwandiri here hee" akadaro Bruce nezwi
rizere nehasha.Bruce akabva atora gumbeze ndokubuda
muroom umu Beauty asati atombotaura.Beauty akangoti
kanha nazvo kwakubva arara hake sezvo aifunga kuti
murume wake arikuita zve jee nekuti zvakadai zvaive
zvisati zvamboitika kwavari kubva vagare vese.

Mangwana makuseni masibanda vakakasika kumuka


vachida kuchecker masettings.Vakabva vati vachingopinda
muimba yekutandarira kwakubva vaona Bruce akarara
pasofa akatofuga gumbeze zvichitoratidza kuti aive
ararapo husiku hwese.Vakabva vaziva kuti aya amunoti
ma1 ainge atanga.Masibanda vakatombotamba
kamutambo kaye kema nigerian vachishaya zvekuita
nemufaro.
End of chapter 3
AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 4

Masibanda vakasvikomutsa Bruce kwakubva vati "ko nhai


mwanangu kwakanaka here kwawarara pasofa ko muroom
mako maita sei" vakabvunza masibanda vachikwenya
mhuno nekasiyanwa,"hapana chanetsa amai
ndakangobatwawo nehope ndakagara pano" akapindura
Bruce achinyepa.Masibanda vakabva vachinja nyaya havo
votaura dzekurima.Musi uyu waive musi wechisi saka
hapana aipinda mumunda kunorima.VaRudhaka vakabva
vapindawo kwakutanga kukurukura havo
nemwanakomana wavo.
Beauty akapepuka dzatova kuma past 8 chaidzo.Akashaya
kuti ihope rudzii dzaainge arara musi uyu nekuti
aisambononoka kumuka senge kana atori kumusha
aitomuka kuma5 chaiko vamwe vachakarara oita basa
semuroora.Zuva rainge rotopisa sezvo munanaDecember
richikasika kubuda.Akatarisa padivi pake achida kumutsa
murume wake.Akashamisika chaizvo kuona panzvimbo pa
Bruce pachiratidza kuti hapana kumborarwa.Akabva
arangarira zvaive zvaitika husiku hwapfuura kwakubva
abuda muroom muye oenda kunotsvaga Bruce.Paakapinda
muimba yekutandarira ndopaakaona Bruce,atezvara vake
na amwene vake.Akapfugama kwakuvamhoresa vese
ndokubva abuda hake oenda kunotsvaira chivanze.

Paakabuda panze akaona pasina kana munhu zvichireva


kuti ana tete vake vainge vachakarara.Akabva atora
mutsvairo wepanze kwakutanga hake kutsvaira."Hehede!
seka zvako mwana wemuera shumba iwe,kusarairwa here
uku kana kuti kuzviitisa here kana kuti kwatova
kudheerera chaiko kuda kutonga pamusha pa mhofu pano
pekuti muroora anomukira kutsvaira ruvanze na9:00"
akadaro Linet uyo aiva akasiira Bruce
pakuberekwa.Beauty akabva apfugama kwakubva
akwazisa tete vake achitaura zvine unyoro nekuzvininipisa
mukati.Linet akabva aridza tsamwa kwakupinda hake
mumba.Beauty haana kunetsekana nemashoko aitete vake
sezvo aive avajaira.Muhupenyu pane nguva yekuti
unotanga ucharwadziwa nezvinorwadza zvaunoitirwa
nevamwe wozopedzisira wajaira zvekutosvika pakusaita
shungu nazvo,ndizvo zvaive zvaita Beauty.Beauty
akazopedza basa rese repamba kwakubva apinda hake
muroom make omurongedza.

"Bruce mwanangu muroora wangu ndinomuda chaizvo asi


ndinodawo muzukuru" vakadaro masibanda,"ndinozviziva
amai asi tamboedza zvese asi zvirikuramba takungomirira
nguva yaMwari" akapindura Bruce.Masibanda
vakaenderera mberi voti "hongu ndinozviziva ndosaka
ndanga ndafunga kuti utore mudzimai wechipiri"
vaRudhaka vakabva vavagamha vachiti "haikona kuda
kufurira mwana zvisizvo iwe masibanda ko iwe
zvawakandiitira mwanakomana mumwe chete pano
nyangwe zvazvo ndaida vashanu chaivo ndakakuunzira
umwe mukadzi here." "Zvasiyana ka apa vanasikana ivavo
vanhuwo manje apa tikutoreva zvemwana chaiye angave
musikana chero mukomana mhoti angazofewo asina
kusiya mbeu pasi pano here" vakadaro masibanda.

"Iro idama chairo ramataura amai ndini ndega mukomana


pano saka ndotofanira kukudza dzinza" akadaro
Bruce.VaRudhaka vakangodzungudza musoro vachibva
vati "zviri kwauri Bruce kufuga kana kuwarura" kwakubva
vabuda havo vonanga kudanga remombe.Mai nemwana
vakazosara voronga zvekunoroora mumwe musikana ainzi
Chido aive mwana wasahwira wa masibanda.

Mai nhiya vedu vaive murima zvavo.Akatazoshamisika


oudzwa nemurume wake Bruce kuti ave kutora mudzimai
wechipiri.Beauty ahana kupikisana nazvo sezvo
aigarozvidya moyo kuti ainge atadza kuberekera murume
wake kana mhodzi imwe zvayo.Akarwadziwa hake
akachema kusvika misodzi yoramba kubuda asi
anonyaradza ndopainge pasina.

End of chapter 4
AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 5

Bruce akazoonana naChido pakutanga pevhiki


rakatevera.Chido akafara chaizvo kuroorwa nemunhu
anozvishandira achigara kuHarare zvekuti aizova
pabarika izvo haana kumboita hanya nazvo.Masibanda
naBruce vakamhanya mhanya kunobvisa mari yeroora
hazvina hazvo kuvanetsa sezvo mari nemombe
zvaivepo.VaRudhaka vakabhowekana nehurongwa
wemhuri yavo uhu zvekuti vakaramba kubatanidzwa
mazviri.Beauty aingofondoka nekurima Chido achiswera
naBruce kuita nemumvura mese yakaimbwa naDhewa
chaiyo.Nekurwizi chaiko vaienda vese vachiimba havo
nziyo iya yekuti patakaenda kurwizi.

Mazuva ezororo ainge akapihwa Bruce kubasa


akapera.Beauty aive akumbira akati wandei nevhiki imwe
pane yaBruce sezvo aida kusiya apedza kurima.Bruce na
Chido wake vakabva vapinda munzira vonange
Harare.Masibanda vaiganza chaizvo nemuroora wavo
mutsva uyu zvekuti paakaenda kuHarare
vakabhowekana.Beauty akaoonda chaizvo nekufunga
ne2weeks idzodzo.Waizomboriziva here zigadzi rekusimba
rine mahips rainge raperereka kudaro zvekusara musoro
chete.Aive mutema hake asi chiso chake chaive chakanaka
chaizvo kuita aya amunoti mablack beauty.
Kudzokera kwakaita Bruce masamba akasara ochinja
pamusha apa.Masibanda vaive vobata Beauty zvakaipa
chaizvo.Beauty basa rese aingoita kumunda achienda asi
aive onyimwa chikafu nesipo chaiyo yekuwachisa apa
ariye nyakutenga.Aidya sadza manheru chete atezvara
vake pavanenge varipo kuseni aidya bota chairo paidya
vana vemadzitete ake.Masibanda nevanasikana vavo
vaidya vega tea yavo nezvinonaka pachena chaipo
vasingasiire Beauty kana kai zvako kana murume wavo
asipo.Ko aigobvunza aniko muroora uyu pamusha pa
amwene.

VaRudhaka vakasvika pakuona kupera kwainge kwaita


muroora wavo vakabva vamuti "ko nhai mancube bva
waita stress kusvika pakuonda kudaro hino hama dzako
dzikakuona wakadai dzingasati taikushungurudza here
pano." Beauty akamboseka nechemumoyo achizviti "dai
baba ava vaiziva mabatirwo andirikuitwa pano
havaimbondibvunza mubvunzo wakadai." Akabva
angopindura achiti "musazvinetse henyu baba inguva
chete ndichapika hangu."

Mazuva aBeauty ezororo akazopera vatopedza kurima


kwakubva adzokera hake kuHarare.Paakasvika mumba
make akapera simba nezvaakaona.Akawana mapictures
epamuchato wake naBruce abviswa kumadziro kwaiswa
aChido nemamwe avainge varivari naBruce
wacho.Akangosiyana nazvo kwakubva afamba achienda
hake kubedroom kwake.Akasvikopinda mubedroom muya
ndokuona Chido akaita butterfly sleep chaiyo naBruce
pamubhedha wake.Beauty aiziva hake kuti Chido aive
atova mukadzi waBruce wechipiri asi izvi zvakamupedza
simba.

End of chapter 5
AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti

CHAPTER 6

"Ah! Maiguru munenge mune pamuromo imi


mungandiudze kuti muborn free kunge imi angatadze
kuziva kuti kunogogodzwa kana munhu asati apinda
muroom mevamwe" akadaro Chido achigadzirisa hembe
yake agara zvino.Beauty akabva ati "mainini sorry but this
is my room and mumba muno mune3 mabedroom sarudzai
yamada pane mamwe 2 ayo ino kwete munondisvibisira
matrimonial bed yangu anyway haisi mhosva yenyu kana
Bruce asina kukuudzai so please pa....." haana
kuzopedzisa kutaura agamwa naBruce “Beauty haikona
kuva childish enda unoshandisa imwe room iri opposite ne
ino ndomune zvinhu zvako imomo." Beauty haana
chaakazotaura akabva angobuda hake ndokuenda maanga
anzi aende.
Mazuva akafamba Beauty na Chido vachigarisana pamba
apa.Chido ndiye aimbomuka aine mamoods asingade
zvekutaura na Beauty asi Beauty wacho kana shungu
zvake.Marriage yaBeauty yaive yomurwadza sezvo Bruce
aive asisina kana hanya naye.Mazuva ekutanga Bruce
aimboti nhasi akarara muroom maBeauty mangwana
maChido akapedzisira asisatombotsiki maBeauty
macho.Beauty zvaimurwadza hake asi chokuita painge
pasina.

Pakupera kwemwedzi miviri Chido ainge ava


nepamuviri.Akabva afunga zvekushandisa mimba yake
semukana wekubvisa Beauty pamba apa anyatsosara hake
aine total control.Akafunga zvekuva munhu akanaka kuna
Beauty kuitira kuti panodzingwa Beauty pamba apa
asazopihwa mhosva achiteedzera hake saying iya yekuti 'if
you want to get rid of your enemy get closer to
him'.Masibanda vaifona chaizvo vachibvunza muroora
wavo Chido nemuzukuru aiva mudumbu.
Ko Beauty anga achafungwa naniko pamba apa anga
angova mazvake mazvake.Kana chikafu chaanenge abika
Bruce anga asisatombobate.Mumwe musi Beauty
akakasika kudzoka kubasa sezvo aisanzwa mushe.Musi uyu
aive akaita kufizuka chaiko kunge munhu aswera
achitimba mumunda makaoma.Aingonzwa kupera simba
izvo zvakaita kuti azonzi aende hake kumba sezvo aive
ononoka kuserver vanhu patill paaishanda.

Paakasvika kumba akasvikomhoreswa nemufaro naChido


zvekuti akazvitsunya kuti azive kuti airota here kana kuti
asi akaona iri live chaiyo."Ummm kwakanaka here
kwamandimhoresa nhasi imi muchisindi ignore mazuva
ese nhai mainini" akadaro Beauty,"ko kungagoipei nhai
maiguru ndofunga ndijunior B arimudumbu umu anenge
anokufarirai zvisingaiti" akapindura Beauty."Bva kana
zvakadaro dai mazuva anonoka kufamba ndambofarirwa
hangu najunior wacho"akadaro Beauty achirara hake
pasofa.
"Maiguru, maiguru mukai" akapepuka Beauty mushure
mekunge anzwa achideedzwa naChido.Akamuka
ndokutarisa nguva ndokuona dzatova kuma to 5
dzemazuva rovira."Very sorry nekukumutsai
ndokumbirawo mundibatsirewo kubika ndoda
kumbozorodza makumbo angu azvimba uye ndoda kuti
nhasi timbodya pamwe chete semhuri" akadaro
Chido.Beauty haana kuita nharo sezvo ainge onzwa
zvirinani akabva angoti horaiti ndokusimuka onanga hake
kukitchen.

Akabika hake mwana wevaridzi asingambokendenge kuti


kunze kunei, kunyatsokanga chaizvo nyama yemombe
yaive yatengwa naChido.Chido aive akagara hake pachair
achibatsirawo nekucheka zvaida kuchekwa zvakafanana
nemavegie.Bruce akazodzoka kubva kubasa ndokuona
vakadzi vake vachiseka vari vaviri mukitchen."Kwakanaka
here nhasi kwamabva maita chikuwe chinonzwika kugedhi
chaiko" akadaro Bruce achipinda mukitchen."Gegegege
haunyare makuhwa munhu wechirume" akapindura Chido
kwakubva vaseka havo vese.

Bruce akafara chaizvo kuona vaviri ava vachinzwanana


asi nerimwe divi mupfungwa make maive muzere
nemibvunzo yaishaya anopindura."3 months Chido na
Beauty vachigara pano vese vasingataudzane vachipanana
macold shoulder ko nhasi zvadii? Ko iye Chido zvaanoti
mimba yake yakavenga Beauty wani? Beauty munhu
munyoro ane moyo wakanaka kuti angave agamuchira
Chido mumoyo make here?" Iyi mibvunzo
yaingotenderedza Bruce musoro kusvika azongoti hameno
tichaona.

Chido akazopakura chikafu ndokuserver vamwe


vake.Akabva akumbira kuisa munamato vasati vadya havo
ndokunamata achiti "Mwari komborerai kudya kwedu
nemunhu abika nevanhu vachadya amen" vakabva vatanga
kudya havo.Chido achangopedza kudya half yesadza raiva
muplate make akabva abata mudumbu kwakutanga
kuumburuka pasi achiyuwira.

End of chapter 6

I hope you are enjoying.Pliz feel free to comment ndimi


munoita kuti bhuku rifambire mberi
AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 7

"Chii babie, waita seiko Chido taura neni kani mukadzi


wangu" anodaro Bruce achifemeruka oshaya pekubata,
Chido wacho achingozvongonyoka akabata mudumbu
asingapindure.Beauty anobva amhanya kunotora makeys
emota yaBruce kwakubatsirana kutakura Chido
vomuendesa kuchipatara.Chido paakanzwa kuti aive
oendeswa kuHarare hospital akabva ati "ndiendesei
paMedic" nezwi raishoshomera.Bruce ahana kupikisana
nemurwere wavo uyu akabva angochinja road onanga
kuWarren park uko kwaive nemedical center yaive
yataurwa naChido iyi.

Vakasvika pachipatara chiya kwakubva Chido aendeswa


mu emergency room umo makabva mapinda chiremba
wemo achifambisa ari ega."Good doctor oyi half yemari
yatakataurirana imwe ndozokupai dhiri redu rapera"
akadaro Chido achitambidza chiremba vaya."Thanks but
make sure kuti handibatwe mhuri ingazofa nenzara basa
rapera" vakapindura chiremba vaya kwakubva vabuda
havo.Beauty naBruce pavakaona chiremba vaya vakabva
vavamhanyira vachida kunzwa kuti zvirikufamba
sei.Chiremba uye akabva angovati vatevere kuhofisi
kwake.

"Eh! Muri chii chemukadzi uyu" vakabvunza chiremba


Bruce kwakubva avaudza kuti vaive anani vaChido."Ok
ndokumbirawo kumbosara nemi murume wemurwere"
vakadaro Beauty achibva abuda hake."Right nyaya iri
pano ndeyekuti mudzimai wenyu arwariswa nefood poison
so unfortunately she lost the pregnance am very so...."
chiremba vaya havana kuzopedzisa kutaura vadimburirwa
naBruce “what!!! Mati kudii....how is that possible?"
akadaro Bruce aita zvekusimuka abata musoro."l am very
sorry sir please musarase tariro" vakadaro chiremba vaya
Bruce atova padoor ava kutobuda.

Beauty aive akagara pabhenji raive paside nedoor re


office yachiremba akasimuka paakaona Bruce achibudamo
akarova serious."Hanzi chii na doctor nhai daddy"
akabvunza Beauty.Bruce haana kupindura kwakubva
angobuda panze onanga kucar park kwaive nemota
yake.Beauty paakazosvika ipapo mota yaive yatomutswa
kare yotobuda gedhi.Akangoti kanha nazvo kwakubva
anokwira kombi oteverawo kumba.Paakasvika kumba
akawana mota iripo zvichitoratidza kuti Bruce ainge
atosvika pamba.Mupfungwa dzake maive nemibvunzo
yaishaya anopindura sezvo aifanira kumupindura wacho
aive azvivharira mubedroom.

Beauty akatozobatwa nehope pasofa paaive akagara


akangomirira Bruce kuti auye kuzotaura
naye.Akatozopeputswa nemornach raaive atemwa naro
mumusoro."Muroyi wemunhu buda muno wakatadza
kundiberekera muzukuru wouraya futi muzukuru
wandange ndoberekerwa nemuroora wangu chaiye indava
uchiroya masikati machena" vakadaro masibanda vachiita
kupupa furo nehasha.Beauty akashamisika kuti amwene
vake vainge vasvika nguvai kuseni kwakadaro.Akabva
aona Bruce akamira paside namai vake akapeta maoko
akamudzvokora."Bruce what's going on here mhamha
varikutaura nezvei" akabvunza Beauty."Haikona
kundibvunza zvisina basa ndini ndingatokubvunza kuti
chako chivindi chei chekuisira mukadzi wangu poison,
ndosaka mhani nezuro wainyepera kumufarira nyamba
waiziva maplans ako nhai" akadaro Bruce nezwi raive
pamusoro rizere nehasha.

"Musapedze nguva muchitaura nemuroyi uyo mhani


zvinhu zvake ndapedza kurongedza ngaapesanise tukumbo
twake abude muno" uyo ndiLeti aidairirawo achikanda
mabhegi aBeauty panze.Beauty akadzingwa kunge imbwa
yawanikwa ichiba nyama.Akazotakura mabhegi ake
ndokukwira kombi oenda kuBudiriro kwatete vake.Chido
akazosara achisvika pamba achitofamba hake zvakanaka
izvo zvakashamisa vatatu vaive mumba ava kuti murwere
uyu ainge atopora nguvai ipapa.

End of chapter 7
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti

CHAPTER 8

"Ko iwe hanzi chiiko kuuya wega pano munhu arikunzi


akabva asingagone kufamba nezuro" akabvunza Leti,"Ah!
Ndanzi ndiende hangu kumba sezvo ndapedza kurapwa so
ndatryer kufonera Bruce foni yake ikaramba kupinda
ndabva ndashinga kufamba ndichirwadziwa kudaro hangu
coz chipatara chemuhospital handitombochide hangu plus
kugara kwangu ikoko kwaizoramba kuchikwidza bill"
akarudunura hake statement muroora wekwaRudhaka
uyu."Never mind sweetheart kupora kwako
ndokwakakosha" akadaro Bruce achimbundira
Chido.Masibanda nemuroora wavo vakazotaura havo
dzimwe nyaya.Pave paya Chido ndopaakazoona kuti
Beauty aive asimo mumba umu kwakubva abvunza hake
mumoyo achifara kuti zvaaishuwira zvainge zvaita.
"Ko maiguru B varipi vandisina kumbobvira ndaona"
akadaro hake achikwenya mhuno nekasiyanwa,"ah! that
one is now a closed chapter history chaiyo and iwe
unobvunzirei munhu aida kukuuraya pano" akadaro
Bruce.Paakangonzwa mashoko aya Chido akabva
anyepera kushamisika kwakubva atanga kuchema.Pave
paya Chido anyarara masibanda vakabva vati "chirega
kuchema hako muroora wangu mwana anoitwa mumwe
chitofara nekuti ndiwe wavapanyanga" Chido akabva
asekerera hake asi moyo wake waive uzere nemufaro
zvekuti dai anga ari ega panguva iyi aida kutombojamba
jamba nemufaro chaiwo.Mumba umu makatozoswera
muzere mufaro Chido uya maitozoziva here kuti ndiye
anga achangobva muchipatara.

Beauty akasvikogamuchirwa nemufaro natete vake.Vaviri


ava vagara vaiwirirana sezvo tete ava vaive varivo voga
hanzvadzi yababa vake.Akavatsanangurira nyaya yake
vakarwadziwa zvikuru nezvainge zvasangana nemwana
wehanzvadzi yavo."Chirega kuchema hako muzukuru
wangu ndozvinoita hupenyu uye rangarira kuti hupenyu
ivhiri hunotenderera.Asi wandanyanyobatikana naye
nditete vako Leti shuwa munhu wawakabhadharira school
fees nemari yako yepay vabereki vake vakundikana nhasi
okupumha huroyi nxiiii inga tsitsi dzinotsitsirira
shuwa."Hazvinei hazvo tete misodzi yangu haibude
zvenhando Mwari ndewemunhu wese nemumwe musi
vachanzwawo kuchema kwanguwo" akadaro
Beauty.Vakazobvunzana havo dzimwe nyaya
kwakuzoronga mafambiro avaizoita pakupera kwevhiki iri
apo paizoperekedzwa Beauty kuMufakose kuvabereki vake.

Chido akazonyatsoita gonzo rinoreba muswe sezvo kiti


isipo.Aive onyatsotonga hake mwana
wevaridzi.Masibanda naLeti vaive vachiripo sezvo vaida
kumboita masvondo maviri vachiravirawo Harare
vachimbozororawo mabasa ekumamisha.Mumwe musi
Chido akamuka hake akarova serious akasakwazisa
amwene na tete vake."Nhai chihera tatukana here
zvausina kutikwazisa nhasi" akabvunza Leti,"gegege imi
tete munenge munodenhawo imi ko imi zvamandiona madii
kundikwazisawo pandikaroorwa mumusha menyu handina
kuudzwa mutemo wekuti ndini ndega ndofanira
kukukwazisai" akadaro hake Chido akagara pasofa
akatarisa kutv."Hezvo unotomborasawo muromo nhai
mwana wasahwira wangu" vakadairira masibanda
vachipinda muimba yekutandarira mainge mugere vaviri
ava,panguva iyi Bruce ainge aenda kubasa."Chikoneso asi
munofunga kuti ndimi mega munozvigona, ndasiyana
naBeauty wamaiita yese yese achingosekerera ka ini ,
ndikakusekererai munondiunzira mumwe mukadzi pano,
ini ndiri chihera special chaiye motofano kanda mapfumo
pasi coz neni tosvitsana kumapena" anga apedza hake
mwana chihera.Masibanda naLeti vakangoti kanha nazvo
kwakubva vatarisana.

Beauty akazoenda kumba kwavo natete vake vakasvikopira


nyaya yavo kuvabereki vavo.Vabereki vake vakarwadziwa
nazvo havo asi chekuita paive pasisina.Mumwe musi
Beauty akacollapser ari kubasa kwakubva aendeswa
kuParirenyatwa hospital.Vabereki vake vakafonerwa
nevaaishanda navo kwakubva vamhanya kuhospital
uku.Vakaona chiremba vachida kunzwa chikonzero chaive
chaita kuti mwana wavo afende."Maita zvakanaka
nekuuya vabereki asi ndoda kuti muzive kuti ndine good
news nebad news zvakare, regai nditange negood news.....

End of chapter 8

Ndinotenda nemacomments rambai makadaro


munondipasa manyemwe
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 9
"Aiwa doctor tangai nebad news" vakadaro vaDube baba
vaBeauty chiremba vachibva vati "ok then the bad news is
blood pressure yemwana wenyu iri very high zvekuti
aponeswa nekukasika kuunzwa pano orelse dai
tirikutotaura zvimwe and the good news is mwana ari
mudumbu make haana kupiswa nebp yacho izvo
zvashamisa nyangwe isu madoctor nekuti mwana
haawanzorarama pakadai." VaDube nemudzimai wavo
vakamboramba vakatarisana vachitaridza kushamisika
zvikuru nemashoko achiremba.Mai Dube
ndovakazovaganhura runyararo rwanga rwave muroom
umu voti "ma...matii nhai doctor,mimba chaiyo? Ine
mwedzi mingani" ,"ummmm asi hamusikuzviziva inga
yatova nemwedzi mitatu wani saka tototi makorokoto"
vakapindura chiremba.Mai Dube vakabva vatanga
kuyeredza misodzi ,chiremba havana kuzotaura
zvakawanda vakabva vavaperekedza kunoona Beauty
kuward yaainge ari.
"Mhamha, daddy ko ndirikupi" akabvunza Beauty
paakaona vabereki vake vachisvika paari.Mai vake
vakabva vasvikomumbundira kwakutanga kuchema vachiti
"why now sei Mwari vazokupa izvezvi nguva yese iyi
vakakunyima hihihihihi....dai wakakasika kuzviziva
mwanangu dai Bruce asina kumbotora mumwe mukadzi."
"Mu....mu....muri kutaura nezveiko nhai amai" akabvunza
Beauty avekuyeredzawo misodzi."Chirega kudaro nhai mai
mwana siya mwana ambopora mozotaurira kumba bp yake
inozokwira futi" vakadaro vaDube.Beauty akazorara
muchipatara kwakubva abuditswa hake.Paakaudzwa
nezvemimba yaaiva nayo akachema kunge munhu
afirwa.Mai vake vakamunyaradza pamwe chete
nekumusimbisa.Vakamudzidzisa kunamata uye kukosha
kwemunyengetero.Kubasa kwake akabva atopihwa
martenity leave yakabatanidzwa nesick leave yaainge
ambopihwa.

Ukuwo Masibanda naLeti vaioneswa chitsvuku


naChido.Chido aiswera achivabata rough kana Bruce
asipo arikubasa kana adzoka chete aibva aita kunge
vanowirirana stereki.Masibanda vekutaurisa vaye mange
muchambovaziva here ave kutonga hake Chihera.Chido
aive ava kutosvotwa nekugara kwavo pamba apa saka
anga avakutowedzera hutsinye achiitira kuti vadzokore
kumusha kwavo.Mumwe musi ahana kubikira amwene
vake natete vake kudya kwemakuseni."Nhai maiguru ko
tikudyei tava nenzara mukitchen macho hamuna chirimo"
akabvunza Leti," gegege! Saka maona zvakakodzera
kundibvunza mubvunzo iwoyo ndirichef wenyu here ini"
akapindura Chido."Ndamboti ndoda kubikirwa newe here
ini ndati ndoda chekubika tidye hedu plus nehutsinye
hwaukuita mazuvano wakafitira kungotiisira kana poisona
chaiyo" akadaro Leti mai vake vachibva vadairira vachiti
"taura hako mwanangu vakuru vakareva zveshuwa
pavakati rinonyenga rinohwarara rozosimudza musoro
rawana Beauty muroora wangu handingati aive nani asi
ndototi aitove right nekure chaizvo panewe" vakademba
demba Masibanda.

"Ichokwadi ichocho mhamha Mancube aripo taidya zvese


zvataida pano kana pizza chaiyo nemachicken slice
aititengera" akadairirawo Leti."Manje ini handisi Beauty
uye Beauty iyeye ave muroora wenyu nhasi manje nekuti
haasisipo,temhai mavegie mugarden mubike sadza hapana
mari yechingwa" akadaro hake Chido achifinyama
kwakubva abuda hake ndokunozvivharira mubedroom
make.Masibanda vakasara vakapopota zvavanga vasati
vamboita.Bruce akasvika pakudzoka kubasa
vachingopopota chete."Ko chii nhai mhamha kubva
mapopota zvinonzwika kugedhi kwese uku,muHarare ka
muno vavakidzani vese varikuzvinzwa kwasiyana
nekumusha kwamunenge muri kure nekure nedzimba
dzevamwe" akadaro Bruce,"Kwaniko ndirori zigadzi
rawakaroora iri ratiswedza nenzara tinganzi tibike sadza
nevegie maskati ano iwe uchisisiya mari yechingwa
nemazai" vakadaro Masibanda."Nhai amai mungati
mukadzi wandakaroora murimi makandiroorera"
akapindura Bruce achitofamba hake kuenda kuroom
kwake kwakunozvivharirawo ikoko naChido wake.

Chido paakanzwa kuti Bruce adzoka akabva aipangidza


mhere."ko ukuchemei nhai chipondamoyo changu"
akabvunza Bruce achigara pamubhedha paside
naChido.Chido wacho akabva aita manyemwe
ndokuwedzera kuchema.Mushure mechinguva
akazonyarara ndokuti "mai vako havandide pano
vanoswera vachindituka pano nekundinyima chikafu
vachindienzanisa naBeauty"akadaro Chido achiyeredza
misodzi yegarwe."What!!! Saka zvese izvi zvange
zvichiitika usingandiudze nei" akadaro Bruce azere
nekushamisika kukuru."Ah! Ndaisada kuzokonzera
kupesana pakati pako nehama dzako saka
ndangandichingoshingirira hangu asi zvanyanya"
akapindura Chido.Bruce akabva ati "Chirega kuchema
babe wangu mangwana chaiye varikukwira bhazi
kudzokera kumusha, chienda unobika ndine nzara."

Chido akafara kwakubva abuda oenda kukitchen


kunobika.Achangobuda foni yake yaiva padressing table
yakabva yapinda message.Bruce akabva aona message iya
ichiratidza kuti yabva kuna Doctor Nelson chiremba vaya
vekubatsira Chido kuMedical center.Akabva aivhura
achida kuona kuti vaidei kumudzimai wake.Zvaakaona
zvakamutemesa maoko musoro wakanyarara.

End of chapter 9
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER

'Hie Chido wakazongoti zii zii nei ko mari yangu how far?
Pliz make sure kuti by the end of this week chaiye unenge
wandipa mari yangu orelse murume wako ndikumuudza
zvese uyezve zvekuti hauzvare nepamusaka pemimba zhinji
dzaukabvisa idzo dzakaremadza chibereko chako.Yours Dr
Nelson' ,aya ndiwo mashoko aive akanyorwa pamessage
yaive yapinda mufoni maChido.Bruce akapererwa asi
ahana kuda kuita dzungu rekubvunza Chido akafunga
zvekuita hake kunge munhu asina chaari kuziva kuitira
kuti agonyatsoirongera mbavha yake iyi.Chido paakaona
kuti mhuri yose ingangomupandukira akabva aisira Bruce
mupfuhwira uyo waainge akasopihwa kare na amai vake
paakaroorwa naBruce asi aive asati aushandisa sezvo
zvaive zvichirikumufambira.Akanyatsokanga hake
kwakubva aserver vanhu vese chikafu.Mupfuhwira uyu
waive waiswa muplate maBruce chete saka akanyatsodya
hake achinakirwa asingambogaye kuti kunze
kunei.Akarungwa hake mwanakomana waMasibanda
hurongwa hwese hwekuzofumura Chido mudondo.

"Eh! Amai mari yenyu yebhazi iyi modzokera kumusha


mangwana" akadaro Bruce achitambidza Masibanda
$20."Kumusha tinodzokera hedu mwanangu ko grocery
rekuenda naro hauna kuti tengera wani uye mari yebhazi
yawatipa iyi hapasare kana change yekuti tizotengawo
madrink mubhazi" vakadaro Masibanda
vachishamisika.Chido akabva adairira achiti "ndomari
iripo amai kana musingaide regai mogara henyu pano
muchiswerera porridge nesadza nenyama yegreen
yemugarden iyo." Masibanda vakaviruka nehasha kwakuti
"Bruce ungandidaro shuwa ini nyakukutumbura, newewo
Chido chaiye wandaibereka kumusana uku mai vako
vaenda kumaricho,iiiiiiii! ndakazvigokera moto muziso
shuwa dai Beauty aripo dai kitchen unit iyo irikutadza
kufema negrocery rekuenda naro kumusha nyangwe mari
yebhazi chaiyo ndaitosarwa nechanje inotenga chicken inn
necoca cola zvekudya mubhazi"."Eh! Ndakambokuudzai
wani kuti handisi Beauty uye dai kufunga kwebenzi endai
ka kwana Beauty kwacho kana ariye bank renyu...." ahana
kuzopedza kutaura agamwa nayo mbama naLeti.

Bruce akaona kuti mudiwa wake arohwa kwakubva atanga


kurovawo hanzvadzi yake.Masibanda ndovakatozomisa
fight iyi vati kuna Bruce "chirova ini tione kuti ngozi yacho
unoikwanisa here".Vanhu ava vakazoparadzana voenda
kunorara.Mangwana acho Masibanda naLeti
vakafumogadzirira rwendo rwavo kwakubuda havo vasina
kuoneka.Vakafunga nezvekupfuura kubasa kwaBeauty
vachimuona.Vakasvika pabasa paye kwakuona mumwe
musikana waaishanda naye."Wakadiiko chisikana"
vakadaro Masibanda,"Ndiripo hangu makadiiwo
ndingakubatsirei nei?" akapindura," ndanga
ndichikumbirawo kuona Beauty Dube ndiri amwene vake"
vakadaro Masibanda."Beauty haasi pabasa ari
pamaternity leave madii mambomufonera or kumutsvaga
kumba kwavo" akadaro muskana uye,"hezvo! Kana uchiti
maternity leave urikuedza kureva off inopihwa munhu ane
nhumbu here" akabvunza Leti aita kubata muromo
nekushamisika."Hongu ndozvandirikureva" akadaro
musikana uye kwakubva aenda kunoita basa rake.

Masibanda naLeti vakasara vakatarisana vachimboedza


kudzeya mashoko aive ataurwa nemusikana uye.Vakabva
vaburitsa foni yavo mubhegi ravo kwakufonera
Beauty.Foni yacho yaingorira isingadairwe kusvika vaneta
nekuramba vachingofona.Vakabva vaenda havo kunokwira
bhazi reGold class iro ravaifarira kuenda naro kwaMutare
sezvo driver wemo aive akarongeka.Vakaramba vachiedza
kufonera Beauty ngoma ingori iyoyo.Beauty akazodaira
pave paya achibva ati "Hello ndiani wangu", "Iiiiii
haikona kudada uchidaro Mancube asi hausisina number
dza amwene vako here nhai muroora" vakapindura
Masibanda nezwi raive rizere nekuzvininipisa."Hoo very
sorry munenge madialer wrong number haasi Chido uno
ndiBeauty" akabva akata foni ko anga apedza hake zve
muera soko.

Leti aive anzwa zvese zvaive zvataurika sezvo foni yacho


yaive paloudspeaker akabva ati "mhamha musawaster
time yenyu muchimufonera ngatieendei kwambuya Chamu
tinozvigadzirisa", "yah ipapo wataura totosvika
tichiendako simbi inorohwa ichapisa" vakadaro
Masibanda.

Vachingosvika pamusha pavo vakabva vangosvikonanga


kusowe rambuya Chamu vasina kana kumbogara
nemurume wavo kuti vabvunzanewo mafambiro avainge
vaita."Madzimai ndokumbirawo kuputsa mhiko dziya
zvinhu hazvisisina kumira mushe" vakadaro
Masibanda."Nyaya yenyu ndikuiziva madzimai asi pati
omei manje nekuti......

End of chapter 10

Thank u all nemacomments ndimi munondipa simba


rambai makadaro
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 11
"Nyaya yenyu ndikuiziva madzimai asi pati omei manje
nekuti nyangwe mukabvisa kamuti kaya pasi pemubhedha
uye mwana wenyu anongoramba akadaro nekuti
waakashandisirwa nemudzimai wake waari kugara naye
uyu ndewe kuChipinge chaiko" vakadaro mbuya
Chamu."Saka manje ndoita sei zvazvaipa kudai"
vakabvunza Masibanda vachiratidza
kupererwa,"ingonamatai madzimai zvichapera"
vakapindura mbuya Chamu.Masibanda pavakaona kuti
munhu wavanga vachitemba naye akundikana vakabva
vadzokera havo kumba kwavo nechinamira chavo
Leti.Vachingosvika kumba vakabva vangonopinda
mumagumbeze chaimo masikati machena.

"Ko chii chirikumboitika nhai Masibanda kubva


zvawasvika pano hatina kumburukura tese izvezvi wapinda
muzi2 in 1 nekunopisa warwara here?" Vakabvunza
vaRudhaka vachigara pamubhedha paive parere mudzimai
wavo."Ah! Zvipiko nhai murume wangu kuHarare
kwatabva hakuna kumira mushe" vakapindura
Masibanda,"ko hindava kune arwara here?" vakadaro
vaRudhaka.Masibanda vakabva vaudza murume wavo
zvese zvakaitika kuHarare kwavainge vabva.Pavakanzwa
zvese vaRudhaka vakangodzungudza musoro
sechidhambakura kwakubva vati "ndakambokuudza iwe
asi nharo mukadzi wangu hameno you made your own bed
so lie in it" naiwawo mashoko vakabva vabuda.KuHarare
Bruce aive ava muranda waChido chaiye aisukiswa ndiro
nekuitiswa basa rese remumba chairo ko aigorambira ani
ave kutonga hake Chihera.Aitokasika kudzoka kubasa
achimhanyira kunobikira madam Chido.

Kuside kwaBeauty kahupenyu kaifaya.Dumbu ranga


raenda zvino ratova mu8months.Parizvino aive ogona
kunamata.Nguva nenguva ainamatira mwana wake aiva
mudumbu uye anga asingaregi kunamatira murume
wake.Murume wake aimuda nemoyo wese uye rudo rwake
kwaari rwanga rusina kumbopera sesipo.Mukaona
mukadzi anosiwa nemurume otokanganwa nezvake ipapo
ipapo anenge agara asingamude.Aive akafambawo
kumaporofita na tete vake akaudzwa zvese zvaiitika kuna
Bruce izvo zvakamupa hushingu hwekunamata.Aiti
akafunga nezvazvo airwadziwa zvikuru uye aigarozvipa
mhosva yekuti dai akakasika kuziva kuti ava nepamuviri
sezvo aive akabata pamuviri apa zvekuroorwa kwaChido
zvisati zvava mudariro.Mai vake vaimunyaradza
nekumusimbisa nepese pavanogona.

Mumwe musi aive akapfuura nepabasa pake achibvawo


kwaaibva hake mutown.Aida kuona vamwe vake
vaaishanda navo.Paakasvika pacounter paya akabva aita
dhuma dhuma naChido uyo aitobvawo ku office
kwaBruce.Chido paakangoona munhu aive amire mberi
kwake akabva abvisa gogo dakatoshaya kuti ko munhu uyu
anozvinetserei hake.Akabva atomira ipapo achitaura
nemusikana waaishanda naye ainzi Rudo.

"Beauty ini hangu unozviziva kuti andiwanzofarira


kupindira mumapersonal matters evamwe but izvi
ndikufanira kuzvitaura" akadaro Rudo."Ndozviziva sahwi
chitaura tinzwe" akadaro Beauty,"nyaya iripo ndeyekuti
Bruce akaramba achiita zvaari kuita izvi mangwana
chaiye anenge ava kufudza mombe kumusha kwake basa
rapera" akadaro Rudo."Ko nei chii chikuitika?"
akabvunza Beauty, Rudo achibva aenderera mberi oti
"haachashande nemazvo zvaaisiita kare ave kuswera
akavharirana nekamukadzi kake muoffice imomo
vachitaura nyaya.Zviya zvekushanda overtime haachaiti
ava kutokasika kuenda kumba nechinenge
chichimhanyirwako hameno" akadaro Rudo achiratidza
kushushikana."Ah! Hameno hake ndozvaakazvisarudzira
ko ini ndingadiiko hangu" akadaro Beauty.Vakazotaura
dzimwe nyaya kwakubva azobuda hake oenda kumba
kwavo."Mancube.....hey! Beauty ndokumbirawo umire
ipapo" akashevedzera mukadzi iyeye achimhanya kuenda
paive naBeauty.Beauty paakacheuka akashamisika
kuona......

End of chapter 11
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti

CHAPTER 12

Beauty akashamisika kuona Linnet hanzvadzi yaBruce


ichiuya paari."Hiiiii! Hesi muroora wangu idumbu
rakatakura muzukuru wangu here iro iiiii ende Mwari
variko zveshuwa" akadaro Linnet asingambope Beauty
mukana wekupindura.Beauty akatanga ambocheuka
cheuka kwakuzoti "ummm muroora upi iyeye
wamurikureva coz muroora wenyu chaiye Chido
handisikumuona, chechipiri iri dumbu iri harina kutakura
muzukuru wekwaRudhaka nekuti nderengomwa,
chekupedzisira ichokwadi kuti Mwari variko zveshuwa
nekuti vanosimudzawo ngomwa kubva muguruva" naiwayo
mashoko akapindura Beauty."Hezvo ndanga
ndisingambozive kuti unotomborasa muromo nxaaaa"
akadaro Linnet achiridza tsamwa,"gegegege! ndikarasa
muromo ndinozotaura nei uye ndinenge ndamboubvisa sei
kumeso kwangu iwo muromo wacho,zivai kuti kunyarara
nekupusa zvinhu zviviri zvakatosiyana.Nguva
yamurikundiridzira tsamwa iyi dai murikutonorutsisa
hanzvadzi yenyu uko" naiwayo mashoko akabva atendeuka
oenda hake mwana wekwaDube.Linnet akangosara
akamirapo akashama muromo kuita seachapindwa
nenhunzi achiedza kudzeya mashoko anga ataurwa
naBeauty.

Chido akazopfeka gogo dzake idzo dzaainge abvisa


achitiza Beauty ava mumota.Ko ndiye aive atova driver
wayo zve.Muridzi wayo aiperekedzwa kubasa ozotorwa
futi kana achinge apedza basa zvekuti mamwe mazuva
Bruce wacho aitombokwira kombi madam in charge
vaenda nemota kumafaro.Chido akatanga kurangarira kuti
ainge aona Beauty ane zidumbu pfungwa dzake dzabva
dzatanga kupishana."Kuti inhumbu iyoyo yanga ina
Beauty? Asi haingambova nhumbu iyo ngomwa iyoyo
yavane6years isina mwana? Pakuda plan apa nekuti Bruce
akazviziva nyangwe mupfuhwira wandakamupa unogona
ku expire" izvi ndozvaive mupfungwa
maChido.Akatozopepuka kubva mundangariro ataudzwa
naBruce uyo aive apinda mumota imomo."Ko kuzenge une
chirikukunetsa what's wrong my queen?" akabvunza
Bruce."Ha....hapana apa honey ko iwe ndiudze zvawanga
uchiti uchazondiudza" akapindura Chido,"ndanga
ndichida kuti ndaiswa pasuspension kubasa hanzi
handisikugona basa nhai nhai zvinoita here izvozvo"
akadaro Bruce."Ah! Inga vanopenga nemashandiro
aunoita vangakudaro inga havatende anyway usazvinetse
hako handei kumba zvebasa izvi ndozvisorta mangwana
chaiye unenge wafonerwa kuti udzoke" akadaro Chido
achipuruzira ruoko rwaBruce uyo akabva aita
zinyemwerero raisvika kunzeve chaiko.Vakabva vaenda
havo kumba kwavo.

"Halo mhamha ndakasangana naMancube mutown nezuro


atova nenhumbu inenge yatova pedyo kuzvarwa" akadaro
Linnet achitaura naMasibanda avo vakabva vati "hoo inga
zvakaoma." Akaenderera mberi oti "pane mashoko
aakataura pamusoro paBruce arikundinetsa madii kuti
timbofamba naye" vakazobvumirana kuti vaizofamba
naBruce mune vezvomweya kwakubva vazotaura havo
dzimwe nyaya.Linnet akabva atoziviswa nezvekuroorwa
kwaLeti uyo aida kuroorwa mumwedzi waitevera.

Mangwana acho makuseni Chido akamukira kuenda


kubasa kwaBruce kwakubva anokumbira kuona manager
wacho."Ah! Ndimi mai Rudhaka kwakanaka here?"
vakabvunza vaMoyo manager vaya."Ko kunogoipei hako"
akapindura Chido ,"ok ndingakubatsirei nei" vakabvunza"
"kkk ndini ndingatokubatsirai" akadaro Chido achisimuka
paaive akagara achienda paive pakagara vaMoyo.

End of chapter 12
Ndozvariri bhuku racho huchi hwega hwega kkk.Pliz vasiri
mugrp rebook iri pindai mugozviwanira machapter acho
imomo kuinbox kwangu murikuwandisa
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 13

"Ah! What do you mean mungandibatsire nei?" vakadaro


manager vakatarisa Chido uyo aive agara mberi kwavo
padesk ravo apa akapfeka hake mini mwana
wemunhu."Anything sir kana mukangobvisa murume
wangu pasuspension" akadaro Chido achiita kuya
kwamunoti kunoza."Kana muchiti anything mukuedza
kureva kuti?", "zvandareva izvozvo musaite kunge mwana
mudiki nhai manager" akadaro Chido achibata tie
yavaMoyo."Nxiiii l feel pity for Bruce, kusiya mukadzi
chaiye ane hunhu achiroora a wolf in disguise like you
handisi kuda kutaura zvakawanda please get out of my
office now uudze Bruce wako kana ariye akutuma kuti your
plan will never work infact no more suspension he is bold
capital lettered FIRED!!!" vakapenga manager.Chido
akangoridza zitsamwa kwakubva amodela hake achibuda.

Mumwe musi Linnet akafonera hanzvadzi yake Bruce


achida kuenda naye kune umwe muporofita waainge
anzwa nembiri.Bruce wacho akabva aramba kuenda
kumba kwehanzvadzi yake ko aigoenda sei iye aitoda
permission yamadam kuti avhakache.Linnet akaona kuti
zvekunyengerera Bruce kuti amufambire zvaisabudirira
kwakubva afonera muporofita uya kwakubva vaenda
kwana Bruce uya.Vakasvika Chido asiko kwakubva Bruce
ashandirwa by force kwakubva arutsiswa.Akabva apepuka
kubvamunyika yaaive kwakubva ashamisika kuti chii
chaitora nzvimbo, akamboda kubvunza sisi vake
akanyara.Akazobvunza kuti Beauty aripi kwakubva
audzwa zvese zvakaita kubva paakapfuhwirwa.Pakarepo
akabva arangarira message iya yaaive aona mufoni
maChido sezvo zvirizvo zvega zvaanga achirikurangarira
nekuti zvaakazoitika mushure meizvozvo
haanakuzozviziva.Aiita kunge munhu amutswa kutsi
kwehope chaiko akabva aibongomora mhere.Akachema
murume mukuru zviya zvekuti hee murume haachemi
zvinenge zvisati zvaipa kkk.Vakazowirirana kuti Bruce
ambomira kuzviratidza kuti haachazipasi pemushonga
kwakubva ana Linnet vaoneka havo Chido asati adzoka.

Chido paakasvika kumba akaona pasina chabikwa izvi


zvakamushamisa nekuti aiwanzosvika Bruce atopedza
zvese."Ko nei usina kubika warwara maoko here?"
akabvunza Chido, ko Bruce aimbozviziva here kuti ndiye
anga arihouseboy, akabva angotsvaga statement."Sorry
madam ndanga ndichitemwa nemusoro ndabva
ndambotirarei zvishoma ndikanonoka kumuka"
akapindura Bruce.Chido akazviona kuti pane chachinja
panaBruce sezvo aisiti kana apinda mumba aibviswa
bhutsu naBruce pamwe nekuitwa massage kuitwa
mambokadzi chaiye.Akabva afunga nezveplan yaaive
aronga.Akabva abika hake akapedza, vave kudya akabva
akabva amhanyira kuchimbuzi kunorutsa.Bruce paakaona
izvi akabva ateverawo."Ko chii nhai Chido?"
akabvunza,"hameno nhai ndirikungonzwa kupera simba
nekusvotwa" akapindura Chido,"kkk hakasi kajunior B
here" akadaro Bruce achibata dumbu raChido."Ummm
kuti kudaro?" akabvunza Chido kwakubva Bruce
angoseka.Vakatozosvika pakurara mumba mavo angori
mafaro chete.

Beauty aive amire pasink achitaura nemunin'a wake uyo


aisuka ndiro dzavainge vabva kudyira kudya
kwemanheru.Akabva angonzwa kaya kamunoti kasharp
pain nechepasi peguvhu kwakubva ascreamer.Mai vake
vakabva vamhanya mukitchen maaive imomo kwakubva
vatoziva kuti chachaya.Vakabva vatora bag rake
repreparation kwakumupinza mumota yavo kwakudriver
havo vakananga kuchipatara.Baba vaBeauty vainge
vasipo panguva iyi saka akaenda kuclinic na amai vake
nemunin'ina wake.Vakasvika paMufakose polyclinic paya
kwakubva Beauty apinzwa mulabour ward.Mai vake
vakasara panze nemunin'ina wake vachinamata kuti
asununguke zvakanaka.

End of chapter 13

Very sorry nekunonoka kuunza book magetsi anga aenda


[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 14

Pasina nguva nursing sister vainge vasunungutsa Beauty


vakabva vauya paive pamire mai vake nemunin'ina wake
Betty akabva ati "makorokoto amai....." akabva
adimburirwa panzira na mai Dube avo vakabva vati
"mukomana here kana kuti musikana?" Nurse vaya
vakatanga vaseka havo kwakubva vati "mukomana
nemusikana" ,"ah! zvichirevei izvozvo?" vakaita
sevakupenga mai Dube, Betty ndiye akazovati "iiiiiii nhai
mhamha zvoreva ka kuti kwava nematwins." Pavakanzwa
mashoko aya mai Dube vakabva vagwadama pasi neavo
mabvi votenda Musiki wavo ,vakanzwa manyuku nyuku
chaiwo zvekushaiwa mazwi akakodzera kutenda Mwari
wavo ainge akavanakira uyu vakazongopedzisira vave
kuimba rwiyo rwuya rwekuti 'mazuva ose makatendeka'
vachiyeredza misodzi.Nurse vaya vakabatwa batwa
nechiitiko ichi maziso avowo akapedzisira azara misodzi.

Mai Dube vakabva vakumbira kunoona mwana wavo,


nurse uya haana kuvarambidza nyangwe zvazvo yaisave
nguva yevisiting.Vakabva vaperekedzwa kwaive kuna
Beauty kuroom yaiiswa vanenge vasununguka nevana
vavo.Vakasvika Beauty akarara hake pamubhedha vana
vari padivi pake mukabhedha kanorariswa mwana kaya
kanenge kakakomberedzwa nemasimbi kamunoti kacourt
bed kaya.Havana havo kuda kumumutsa sezvo aive
achambozorora marwadzo.Vakabva vangotakura vana
mumwe nemumwe wake naBetty."Hiiii! ende vana ava
sandi kufanana nababa vavo ikoko kuita duplicate chaiyo"
vakadaro mai Dube ,"taurai henyu mhamha zvekuti kuri
kuvaramba vana ava vangatosungwa kupihwa life in jail
chaiyo" akadarowo Betty vachibva vaseka vese izvo
zvakaita kuti Beauty amuke.

"Ah! ndimi, mauya nguvai muno?" akadaro Beauty


achimuka kuti agare,"hatina nguva tapinda ko makorokoto
zve nhai mukunda" vakadaro mai Dube vachisvusvudzira
muzukuru wavo ainge ochema."Ndeedu tese mhamha
Mwari vakanaka mufunge makomborero acho anongouya
ari double double.Ko baba mazovafonera here?" akadaro
Beauty."Watogona wandifungidza wena kutozvikoshiwa
chaiko papi pacho pandanga ndichazvirangarira nemufaro
watapihwa naJehovah uyu rega ndibva ndatovafonera
izvezvi" vakadaro mai Dube.Vakabva vatambidza Beauty
mwana kwakubva vafonera murume wavo.VaDube
vakafara zvakanzwikwa nepafoni chaipo, vaifarira kuti
vaive vavakuzonziwo sekuru vanhingi sezvo vaingove
nevana vaviri chete Beauty naBetty uyo angaachiri kuita
form 3.

Beauty akabva atotumidza vana vake kuti Tanatswa


kumusikana naTaropafadzwa kumukomana.Ko aive
aropafadzwawo zve after 6good years achisekwa pamwe
nekushorwa nevanhu asi Mwari aive amuratidza kuti ndiye
anonatsa munhu kwete vanhu.Paclinic apa paive neumwe
nurse aiwirirana naLocadia dangwe remumba mana
Bruce.Nurse uya akabva atofonera Loca achimuudza
nezvekusununguka kwemuroora wake.Loca aisava munhu
ane hutsinye kana rusaruro uye ndiye munhu mumwe chete
ainzwanana naBeauty pahanzvadzi dzaBruce dzose.Ko
paunovengwa hauzoshayewo munhu mumwe chete
anokufarirawo.Loca akafara chaizvo kwakubva atopinda
munzira mangwanani acho oenda kunoona vazukuru
vake.Nenguva diki ainge atosvika sezvo aigara
muKambuzuma pedyo neMufakose.
"Titambire vatete" akadaro Beauty achitambanudza ruoko
rwake kuti akwazisane natete vake.Loca akabva atsveta
plastic bag raiva auya naro rine tunonaka nemichero
kwakunombundira muroora wake akabva atanga
kuchema.VaDube ndovakazonyaradza vanhu vese sezvo
Beauty aive ochemawo amai vake vahakirawo nekoko
kunge pafiwa.Betty aive aenda kuchikoro dai aivepo
aitochemawo, ko ndozvatiri ka madzimai tine hana
nhete.VaDube vakagadzirisa izwi ravo kwakubva vati
"chiregai kuchema madzimai what is in the past is now in
the past ngatichifarai nekuda kwepresent condition yatiri
nekuti Mwari vatipa chipo chevana ava kuti vapukute
misodzi yedu uye vanyaradze marwadzo ari mukati
memoyo yedu"

End of chapter 14
Handei naro book
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 15

"Ko maziva sei kuti ndirikuno nhai vatete?" akabvunza


Beauty,"ko ane wake muroora anombomushaya
here,ndaudzwa neshamwari yangu inoshanda
pano.Imbondipai vazukuru vangu ndimbovaona" akadaro
Loca achibva atambidzwa mwana namai Dube."Hesi
mhani! ende satan anyara wena mwana uyu ungati
ndiBruce adzoka kuita mucheche apa uyuwo musikana
kubva atadzawo kufanana na amai here nhai asikana"
vakadaro vachiseka tete vaBeauty ava.Beauty akabva ati
"saka vamwe mavaudza here nhai tete?" ,"ndichivaudzirei
hangu? Vachazivawo vega ko pavanoronga maplans avo
vanombondizivisawo here zvandirini mukuru" akapindura
Loca.Beauty haana kuzoenderera mberi nenyaya iyi
akabva angozviti nechemumoyo nyaya yevana
vanyamunhu haipindirwe.Vakabva vazobvunzana hutano
nedzimwe nyaya.Beauty akabva abuditswa muchipatara
zuva iroro.

Bruce aive agere hake mumwe musi achifunga nezveplan


yaangaite kuti asiyane naChido zvachose nenzira
yakanaka sezvo manyepo acho aive owanda.Akaseka ega
hake achishaya kuti Chido anonyeperei kuti ane nhumbu
iye asina anenge achida kuzodii kana mwedzi yekuzvarwa
kwayo ichinge yakwana.Apa Chido wacho ainge opfekera
machira kuti dumbu rake rionekere se ane
pamuviri.Panguva yaaingunopishana nepfungwa dzake
foni yake yakabva yarira kwakuona vari Manager Moyo
vaifona.Akabva adavira hake vaMoyo vachibva vamuti
auye kubasa zuva raitevera.VaMoyo vaive munzwira tsitsi
sezvo Bruce aive ashanda pabasa apa zvakanaka
kwenguva refu pasina chinetso.Paakaenda kubasa
mangwana acho akabva audzwa zvese zvainge zvaitwa
naChido.Akarwadziwa pamwe nekunyara.Akazvituka
nechemumoyo achishaya kuti ainge amboroororei mukadzi
anenge Chido.
Paakapedza basa akabva afunga zvekuenda kuMedical
center kunoona Dr Nelson.Akabva apinda munzira
yainanga Warren park sezvo madam boss Chido vaive
vambovhakacha kumusha kunoona mai vavo ndofunga
nekunopihwa umwe mupfuhwira.Akasvika pachipatara
paya kwakunanga kuoffice yavaNelson sezvo
aikuziva.Akasvikogogodza kwakubva anzi apinde.Mushure
mekukwazisana vaNelson vakabva vati "Kwakanaka here
kwamatishanyira nhai vaRudhaka ndingakubatsirei nei?"
,"kunogoipei hako kuchanyatsonaka kana mandibatsira
zvandirikuda ini ndokubatsiraiwo." VaNelson vakabva vati
"muri kuedza kureva kutii please get straight to the point"
vakadaro vachishamisika kuti Bruce angavabatsire nei ivo
varivo chiremba vanobatsira varwere.Ko vanga
vachambozvirangarira here zvavaive vaita naChido
mumwedzi yainge yapfuura.Ko chinokanganwa idemo ka
asi muti wakatemwa haukanganwe.
"Right Mr Nelson, do you still remember deal ramukaita
nemukadzi wangu about 6months ago?" akabvunza
Bruce,"ah! dhiri ripi iroro handizvizive zvamurikutaura
ini" vakadaro vaNelson vazere nekushamisika kukuru
vachingozvibvunza mupfungwa dzavo kuti munhu uyu
ainge azvizivira kupi zvinhu zvavakaronga naChido vari
vaviri chete."Musambode kuramba henyu nekuti message
yamaibvunza mari yenyu yakasvikira mumaoko angu so
let's co-operate orelse l will report you to the police basa
renyu ropera" akadaro Bruce achinyatsoratidza kuti ari
serious.VaNelson vakatura befu vachibva vati "ok moda
kuti tiite sei?" Bruce achibva ati "now you are talking."
Akabva avaudza zvaainge afunga kuita vachibva
vawirirana kuti vaizozviita paweekend.

End of chapter 15

Vanoda kutaura neni ku inbox pliz inbox before 19:00


after that time ndinenge ndakuda kumboverengawo.
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 16

"Makorokoto ka nhai asikana,hindava kusatiudzawo kuti


kwane vazukuru?" vakadaro mai Tino avo vailodger
paigara Linnet muMufakose imomo.Linnet akashamisika
nemubvunzo uyu kwakubva ati "hezvo! Muri kutaura
nezveiko nhai mai Tino?" ,"ndirikureva makorokoto zve
evana vemuroora wenyu" vakadaro mai Tino."Ko imi
maudzwa naniko zvamuri kutaura?" akabvunza Linnet
,"ah! asi hamusi kuzviziva kani? Ndasangana naye kuskero
uko aine matwins achiti atouya navo ku7days"
vakapindura mai Tino.Linnet akabva ati "hoo....inga nyika
idiki kwazvo" achibva apinda mumba kwakufonera Bruce
achimuudza nezvenyaya iyi.Ko pane asina kuudzwa here
musi iwoyo, hama dzese dzakafonerwa ndofunga neimbwa
dzepamusha chaidzo dzakazviziva kuti kwava nevazukuru
vaichemerwa naMasibanda.Bruce akafara chaizvo
zvekusvika pakutombokanganwa kuti Beauty iyeye ndiye
munhu waainge adzinga pamba pake kunge imbwa
yawanikidzwa ichiba nyama mupoto.Zvakabva zvamupa
shungu yekuti akasike kupedza nezvaChido ozonotora
mudzimai wake nevana vake.

Waive musi wemugovera apo Chido aive akagara hake


paverandah na amai vake kumusha kwaMutare apo
pakasvika ana tete vake vaviri nasekuru vake (hanzvadzi
ya amai) nemunin'ina wa amai vake nedzimwe hama dzake
dzose.Izvi zvakavashamisa vachibva vangotarisana namai
vake."Tisvikewo madhuve" vakadaro tete vaChido,"svikai
henyu vatete, do garai parupasa apo, iwe Chido mhanya
unotora zvituro ana sekuru vagarire" vakadaro mai
Chido.Vanhu vese vakabva vagara pasi, vakanyatsokwana
havo paverandah ipapo nekuti raive hombe zvekuti
pakatosara imwe nzvimbo.Mushure mekukwazisana mai
vaChido vakabva vati "kwakanaka su kwamatitsika mhuri
yose kudaro?" Tete vakuru ndovakabva vapindura vachiti
"handiziviba tese takangofonerwawo nemukuwasha Bruce
achiti tiungane pano nhasi achauya nemhuri yavo hameno
kuti vatirongerei."

Chido akabva akwakuka nemufaro achiti "shuwa here


tete? My Bruce is full of surprises pamwe afunga
kundiitira party sezvo nhasi riri birthday rangu.Rega
nditomhanye kunogeza." Sekuru vake vakabva vamuti
"nhai mukunda wehanzvadzi yangu ndaifunge kuti
marriage ichakuite change ngekuti dzungu unoriwanze
manhingi","sekuru ndogara ndichikuudzai wani kuti this is
the 21st century hatichazi muna 19 gochanhembe haikona
kusara khule" akapindura hake Chihera achitoenda
kunogeza.Vamwe vese vakazosara votaura havo dzimwe
nyaya vakamirira mhuri yekwaRudhaka.Chido
achangopedza Bruce nehama dzake vakabva vasvika.Apa
mupodero waainge aita waitoti pamwe chidhori chiya
chamunoti barbie doll apa nehutema hwake
zvaisaenderana.Akabva apfeka dress raitevedza muviri
wese richinyatsoburitsa iyo mimba yake yecushion raaive
akapfekera.Paakada kuti amhanyire murume wake akabva
ashamisika kuona munhu waainge asingatarisire kuona
achiburukawo mumota imomo.Izvi zvakamupedza simba
achibva abatwa nechadzimira ndiye zii.

Akazopeputswa nemvura yaitonhorera pamuviri wake


akabva amuka kwakugara.Akatarisa tarisa munhu wese
aivapo achida kuona kuti munhu waanga aona aive
amuonera kuhope here kana kuti kwete.Akashamisika
kuona kuti dzaisava hope asi kuti vaitovepo Dr Nelson
vakagara padivi paBruce.Mai vake vakabva vamuti
"kufarira kuona baba vake here mwana uyo kwabva
kwaita kuti ufende kudaro" vanhu vese vakabva vati bvu
kuseka iye Chido achingonyemwerera kunge musikana
achangotanga kupfimbwa.Tete vaBruce vakabva vati
"pamusoroi mhuri yekwaTinei, tauyawo nechichemo chedu
kwamuri titendereiwo tienderere mberi." Tete vaChido
vakabva vati "taurai henyu takateerera." Chido aiva
angoti una una kunge huku yanaiwa akangotsikitsira pasi
kunge mwenga mutsva.
End of chapter 16

Thank you nemacomments.l know my chapters are short


but pliz zamai kuverenga zvakadaro coz that's the way l
like it munyori mumwe nemumwe ane manyorero ake

Thank you
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 17
Tete vaBruce vakaombera vachibva vatanga nyaya yavo
"nyaya yatavinga pano ndeyekuti mwana wenyu Chido
akatinyepera kuti ane nhumbu, payainzi yava ne2months
akabva atenga chiremba uyu (vachinongedzera vaNelson)
kuti anyepe kuti pamuviri pacho pabva nepamusaka
pepoison iyo yaaiti aisirwa navahosi vake Beauty sezvo
ariye anga abika musi iwoyo izvo zvakakonzera kuti
Beauty adzingwe, zvizhinji chiregai ivo chiremba vacho
vapedzise vomene." VaNelson vakagadzirisa inzwi ravo
kwakubva vati "ndizvozvo chaizvo zvataurwa navatete ava,
mukadzi uyu akandipa $200 kuti ndinyepere murume wake
achida kuwana mabvisiro aangaite mukadzi wekutanga
pamba achiitira kuti agosara ariye oga
mukadzi.Chechipiri ndinoti iye mudzimai uyu ingomwa
kwete nekuda kwaiye Musiki asi nekuda kwe....." vakabva
vagamwa naChido uyo aive aita kusimuka ofemeruka
nehasha akaita kubata muchiuno.

"Anonyepa uyo! Hindava musinganyare imi kutopesanisa


makumbo enyu muchipinda muyard ya amai vangu kuti
muzotaura matakanana akadai" akadaro Chido nezwi
raive pamusoro izvo zvakakonzera kuti vavakidzana
vaungane pagedhi pavo vachida kuzoona kuti chii chaitora
nzvimbo ko pane asingade nyaya here.Tete vake vadiki
vakabva vati "iwe Chido kasika kugara pasi izvezvi ndisati
ndakunyadzisa pamberi pehama dzemurume wako."
Akabva agara pasi kwakunyarara kunge asiriye munhu
anga achiita kudeedzera nekuti aiziva kuti tete vake ava
vaisatomboda zvemafunnies.Tete vake vakuru vakabva vati
"tine urombo ndokumbirawo muenderere henyu mberi."
VaNelson vakabva vaenderera mberi vachiti "maita basa,
ndanga ndichiti mukadzi uyu ingomwa nekuti chibereko
chake chakakuvadzwa nekubvisa kwaakamboita mimba
zhinji saka haachakwanise kuita mwana." Vanhu vese
vaivapo vakabva vabata miromo yavo nekushamisika iye
Chido okurirwa nenyadzi zvekuti akashuwira kuti dai pasi
paivhurika angomedzwa hake.

Bruce akabva ati "Chido ini Newe taperera pano


handisikuda kuona kana footprint yako kumba kwedu
ndikangokuona chete ndinokusungisa." Masibanda
vakabva vati "iwe Madhuve pano ndopaperera
hushamwari hwedu.Leti enda kumota uko unoburitsa
zvinhu zvaChido." Leti akabva amhanya sechana chidiki
chatumwa kunotora masweets ko ndozvaaida ka izvi Leti
aibva aita manyemwe chaiwo.Akabva atora mamonarch
maviri aChido kwakubva asvikomatsveta pamberi
paChido.Akabva ati "eh! ex-maiguru ndipeiwo cushion
repasofa rehanzvadzi yangu ramukapfekera kunge dumbu
iro","iiiiii nhai Leti" vakadaro tete vake."Shuwazve tete ini
handidyire poison mukunyara ngaatonobvisa izvezvi
ndisati ndamutambisa chamutengure" akadaro Leti.Chido
akabva apinda mumba kwakubva anobvisa cushion riya
kwakubva apa Leti.Hama dzake dzakashaya pekupinda
veduweee, vachitoona kuti mwana wavo ainge asitorina
kana kadumbu shungu zvako kekuti vangafungidzirewo
kuti mune chinhu.Mhuri yekwaRudhaka yakabva yaoneka
yodzokera kumba kwayo.

Tete vaChido vakasara vachipopota vachiti "ende


unonyadzisa iwe mwana waRodrick, ndofunga baba vako
vari kungopinduruka muguva mavari.Dai ndaziva kuti
ndozvatashevedzerwa pano dai ndisina kumbouya
hangu.chii chatisina kukuraira kubva waita kunge
muroora akabva kusina vanhu kudaro" Chido wacho aive
ongochema.Sekuru vake vakabva vadairirawo vachiti "iyo
21st century ino yawange uchiganza nayo kune varikuite
no rest vachitsvake idzo mimba dzaurikuite abort
shuwa.Amwe akadzi achikwire makomo nekushamba type
ne type yemuteuro achide kuite pregnant iwe wotoite
dzekusvotora unonyadzisa iwe.Hino vakabarwa 19
gochanhembe varinane panewe nxaaaa!" Naiwawo
mashoko vanhu vese vakabva vanhanga kudzimba
dzavo.Mai Chido vakasara vonyaradza havo zai regondo
ravo vachiti "chinyarara mwana wangu uchawana mumwe
Bruce haasiriye gotwe renyika."

"Pana Chido wagonesesa mwanangu chasara kunotora


Beauty nevazukuru vangu" vakadaro
Masibanda.VaRudhaka vakabva vati " manje pachatodiwa
mari yekunobvisa kwana Beauty kuti ugomutora nekuti
havangangokupe mahara nekumudzinga
kwawakamuita.Kubva nhasi iwe Bruce chiteererawo ini
baba vako usazochema mune remangwana nekuti kutsva
kwendebvu varume tinodzimurana.Mangwana Leti
arikuuya kuzobvisirwa saka totozoshandisa imwe mari
ichabviswa kunotora muroora wangu." "Zvakanakai baba
maita basa" akapindura Bruce.

End of chapter 17
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 18

Musi wesvondo mhuri yekwaChauya yakauya kuzoroora


Leti.Aive adiwa neumwe mukomana ainzi Trevor Chauya
aigara pamwe nekushanda kuHarare asi kumusha kwavo
kuri maMutare imomo.Vanhu vaviri ava vainge vadanaba
kwemwedzi mitatu chete mukomana kwakubva atofunga
zvekuroora sezvo hama dzake dzaive dzomupa pressure
yekuti achiroora.Pana Leti, Trevor aive azviwanira
mudzimai chaiye type chaiyo yeiya yamunoti marriage
material.Mumaziso aTrevor, Leti aive tsvarakadenga
yakanaka pachiso pamwechete nemoyo.Kumhuri
yekwaChauya, musikana waTrevor uyu aive munhu
akanyarara uye anonyara izvo zvakaita kuti
vamufarire.Mukuwasha wekwaRudhaka uyu
akanyotsibvisa mari yese yaidiwa pasina
kugunun'una.Vakabva vakumbira kuenda havo
nemudzimai wavo sezvo mai Chauya vatononokerwa
nekusvika kwemuroora wavo pamba pavo.Baba vaTrevor
vaive vakashaika kare uye mumhuri mavo vaive
vakazvarwa vari vakomana vaviri nevasikana
vaviri.Trevor ndiye aiva dangwe kuchitevera hanzvadzi
dzake Sarah naSusan avo vaive vasati varoorwa
kwozopedzisira munin'ina wake Tawanda uyo aive
achangopedza form four.

Leti akaperekedza natete vake kumba kwemurume


wake.Vakarara muroom imwe chete sezvo vaida kuzomuka
vachiita chiroora makuseni aitevera.Mangwana acho
makuseni Leti akatoramba akarara hake hope
dzamambokadzi chaidzo.Tete vake vakadoedza kumumutsa
asi aingoramba achidzokera mugumbeze.Kuti
vamupopotere kana kuti varambe vachimumutsa kusvika
asimuka zvaisaita nekuti zvaitozoita kuti munhu wese aiva
mumba azvinzwe.Saka tete vakamuka vakatozoita zvese
zvaida kuitwa vega sezvo vaitya kuzonyadziswa
nemuzukuru wavo uyu.Leti akatozomuka kuma8 chaiko
zuva rotodziya ko aigotadza nei hake iko kumba kwavo
aimuka amai vake vaita basa rese vachimujaidza
hugotwe.Tete vainge vatopedza zvese sezvo vainge vamuka
kuma to5 chaiko.Akazongoisira vanhu mvura yekugeza
pavakamuka.Hapana akaziva kuti ndoyainge yatambika
vakatofunga kuti muroora ainge aita zvese sezvo vainge
vanonoka kumuka.Tete vaLeti vakabva vatora mari yese
yaive yakandwa kwakubva vapa Leti yainge yabviswa
pamvura yekugeza chete.Ko tingavashore here ivo vainge
vatamba chiroora chacho vega kunge ndivo
varoorwa.Vakabva vaoneka kwakudzokera havo kumba
kwavo.
Bruce paakadzokera kuHarare akafunga zvekuenda
kunoona Beauty.Akabva apfuura achitora Linnet kuti
amuperekedze.Vakasvika kwana Beauty kuya vachibva
vasiya motokari pagedhi kwakupinda mugedhi
muya.Linnet ndiye akasvikogogodza.VaDube vaive
mukitchen apo pavakanzwa knock yaive
padoor.Pavakangovhura door vachiona vanhu vaivepo
vakabva varivhara zvakare.Vakazobuda vakabata bhemba
ndokuita tsuro nembwa nemukuwasha wavo.Pakarohwa
marathon chaiyo Linnet na Bruce vachitiza.Linnet aive
munhu mudhafu chaizvo asi akamhanya kunge
kapepa.Vakasvikopinda mumota Bruce achibva atoimutsa
pakarepo kwakumbumura huruva vachienda.Dai vasina
mota vanhu vaitomboonerera firimu remahara chairo
nekuti vaDube vaitoda zvekubata munhu chaizvo.

"Ndianiko wamanga muchimhanyisa nhai baBee,


kwakanaka here kwamabuda nebhemba?" vakabvunza mai
Dube ,"kwaniko ndiko kamukwasha kako nechihanzvadzi
chake vanoda kundijairira wena kutogogodza padoor
rangu ivo vakadzinga mwana wangu pasina kana kugarwa
dare." Betty akabva ati "ha! Pasi pano pane vanhu
vanomhanya wena dai maona kumhanya kwanga kuchiita
tete Linnet maiputika nekuseka imi" vese vakabva vaseka
asi Beauty kwaingove kuseka hake asi mumoyo make
maive muzere nebundu remarwadzo aakapihwa
naBruce.Bruce akabva afonera baba vake achivaudza
zvainge zvaitika."Ko iwe waenderei ikoko inga
ndakakuudza wani kuti panotoda kutumwa munyai manje
watoita kuti zviome.Tichatouya kuHarare ikoko
tozozvigadzirisa" vadaro vaRudhaka.Vakazotaura havo
dzimwe nyaya.

End of chapter 18

Thank u all nemacomments ndinokumbirisawo kuti


musauye ku inbox kwangu after 19:00
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti

CHAPTER19

"Ko nhai Trevor tichaenda riinhi kuHarare handichada


zvekugara kumusha ini" akadaro Leti achiyemera murume
wake,"Tichaenda kana tapedza kubatsira ana mhamha
kukohwa" akapindura Trevor.Leti akabva atotsamwa
kwakubva apinda mumagumbeze masikati machena
iwayo.Akatozomutswa kumazuva rovira natete vake
Susan."Maiguru hanzi nasisi Sarah huyai mubike vatofana
gadza poto yemuriwo pamoto" akadaro Susan,Leti akabva
ati "ndirikurwara ini ingopedzisai ka nhai tete.Susan
akabva anoudza Sarah zvainge zvataurwa na Leti, Sarah
achibva anoudzawo amai vake."Nhai mhamha mukadzi
waTrevor ne2weeks aripano asi hatisati tambodyawo kana
sadza raabika anenge achingoti arikurwara everyday
nyangwe ndimiwo" akadaro Sarah.Mai vacho vakabva vati
"pamwe anenge achirwarawo zveshuwa mwanangu
pamwe atova nepamuviri ko vana vemazuvano
munombotana here.Batsirana nemunin'ina wako tidye
hedu" Sarah semwana anoteerera akabva angoita
zvaainge audzwa namai vake.Mangwana acho Trevor
nemudzimai wake vakaoneka sezvo aive afonerwa kubasa.

Leti akafara kuti ainge ava kuHarare kwaaichemera


kumasurburb eAvondale.Aive, pamutambarakede hake
mwana wevaridzi sezvo paiva nemusikana webasa.Sisi
vebasa ava vainzi Getty ndivo vaiita zvese kubva
mukuisira Leti na Trevor mvura yekugeza kusvika
mukuwacha nhumbi dzavo dzemukati.Trevor aisamboziva
kuti mukadzi wako ichapa zvekusvika pakudaro.Kubva
agare naLeti haana kana musi mumwe chete
waakambodyawo zvabikwa nemudzimai wake uyu.Getty
ndiye aibika sezvo Trevor anenge arikubasa Leti oserver
chikafu achinyepa kuti ndiye abika.Apa getty wacho
aikangawo sei,Trevor aibva afara chaizvo kuva
nemudzimai anokanga kudaro.Mumwe musi Masibanda
vakafonera Leti vachimuti vaida kuuya kuzoona
kwaaigara.Leti akabva avavimbisa kuti aizotaura
nemurume wake vouya.

"Ko honey mhamha vati varikuda kuuya kuzoona kwatiri


kugara uye kuzotionawo" akadaro Leti achiudza murume
wake vavamumagumbeze."Inga ambuya vangu vanokuda
chaizvo vanga vatokusuwa nenguva diki diki iyoyo anyway
haisi problem ngavauye hanty ndi amai vanguwo"
akapindura Trevor ,Leti akabva ati "thanx baby you are
the best." Akabva atofonera Masibanda ipapo ipapo
vachibva vamuti vaizouya mangwana aitevera
iwayo.Mangwana acho masikati Masibanda vanga
vatoburuka bhazi mutown kuna forth.Vakabva vafonera
Leti achibva anovatora.Vakafara kuona mwana wavo
sezvinonzi vainge vava nemakore mashanu vasina
kumuona.Vakabva vakwira taxi vonanga kuAvondale
kwaigara Leti.Ko pana Trevor mari yaivepo zve sezvo aive
director wecompany hombe yestainless steel.Leti aiva
owanawo zvese zvaaishuvira pamwe nekurota muhupenyu
nyangwe ganda rake chairo raiva rotaridza kuti
ririkuwana mafuta akakodzera kunyange zvazvo aiva
mutema.Hublack beauty hwese hwaibva hwabuda wainge
uchamuziva here Leti akakurira kuBocha kwaMutare
kumakomoyo.

"Ende imba ino yakanaka wena ndabvuma wena jealous


down" vakadaro Masibanda pavakapinda mumba mana
Leti ,"taurai henyu yakavakwa nevanhu vaiziva zvavaiita"
akadaro Leti."Wotoita muchato mwanangu wozosara
nemba ino kana murume wako achinge afa kana kuti
akuramba" vakaseka havo Masibanda."Taurai henyu
zvekukohwa pausina kurima zvonakidza kkk" akadaro
Leti.Masibanda vakagara pamba apa kwevhiki mbiri
vachibatwa kunge murungu chaiye.Mangwanani vaipihwa
coffee in bed naGetty kuma 10 vobikirwa mazai nesausage
vodya nechingwa nepolon.

Manheru oga oga Trevor aiuya akabata chicken slice


neminute maid kana pizza.Masibanda ndozvavairwarira
ka izvozvo vaibva vafara zvekutokoshiwa kuti vane
murume anoda kubikirwa kumusha.Mumwe musi Trevor
akatambira runhare rwaibva kumusha achiziviswa kuti
mai vake vaive varwara vabatwa nechirwere chesugar
pamwe nebp.Akabva aronga kuti vauye kuHarare
kuzorapirwa ikoko."Babie mhamha hanzi varwara
kumusha uko saka ndati vauye kuzorapwa kuno vachasvika
mangwana" akadaro Trevor achiudza Leti.Leti
akavhunduka achibva ati "ah! Hoo..
.ko inga kwaMutare zviriko wani zvipatara"

End of chapter 19
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti
CHAPTER 20

"Aiwazve nhai Leti, amai havangambofambe madaro


marefu vachienda kuchipatara kunonetsa kuwana
mishonga ini ndiripo muHarare muno ndichigara pedyo
nechipatara chikuru cheParirenyatwa unoonawo zvichiita
here? Vachauya naSarah mangwana" akadaro Trevor.Leti
achibva ati "hoo ah! manje tinozozvikwanisa here kuti
mari yekuvarapisa neyemvura nemagetsi nechikafu sezvo
tinenge tawanda?","hapana chinombonetsa apa
handingamboshaye mari yekurapisa nyakundibereka
zvirinani tirare nenzara kana mari yacho ikasakwana"
akapindura Trevor.Leti akabva asuwa kwakubva
atorara.Makuseni acho akamuka akafundumwara
kwakubva anozivisa amai vake."Bva kana chikopokopo
chichimhara nhasi rega ndirongedze twangu ndiende"
vakadaro Masibanda.Vakabva vaoneka mukuwasha wavo
paaive ava kuenda kubasa."Ko muri kumhanyireiko nhai
amai?" Akabvunza Trevor ,"ah! Ndangofonerwawo
naatezvara vako vachiti kune musangano wevanhu
vemunharaunda mangwana saka hazviite kuti ndisavepo
tisu anhu acho" vakadaro Masibanda vachiseka."Hoo
zvakanakai amai chibataiwo nepapa mozotsvagawo
zvekutakura kumusha dai mataura nguva ichiripo
ndaikutengerai zvakati wandei" akadaro Trevor
achitambidza Masibanda mari.Masibanda vakatenda
vachibva vanosiiwa paikwirirwa mabhazi nemota
naTrevor achibva apfuurira kuenda kubasa.

Masikati Sarah akafonera Leti achimuziva kuti vainge


vasvika pambare."Ingokwirai makombi anouya kuno
ndashaiwa mari yebhazi yekuuya ikoko kuzokutambirai"
akadaro Leti achibva akata hake foni yake.Mushure
mechinguva vainge vatosvika kuAvondale.Vakabvunzana
mufaro nemuroora wavo vachibva vagadzirirwa zvekudya
naGetty.Vakaisirwa chingwa chishoma shoma chaiva
nedovi nemazoe ko ndozvaainge anzi avape Getty wacho
nemurungu wake.Sarah akabva ati nhai maiguru
ndokumbirawo mutibikirewo sadza tabva tisina kudya
kumba sezvo tamukira makuseni mhamha vaswererawo
mabanana semunhu arikurwara hazvizoita." Leti akabva
audza Getty kuti avabikire sadza nemavheji.Getty akaita
zvaainge audzwa kwakubva avapa vakadya havo.
"Ko nhai muroora hamusati mava nekazukuru here
mudumbu umo" vakabvunza mai Chauya vachisekerera
havo.Leti ndopaakabva ayeuka kuti aive ava nenguva
achigara naTrevor asati ava nepamuviri.Akabva angova
vimbisa kuti achauya muzukuru achibva anyarara
hake.Sarah akabva apinda mukitchen achibva avhura firiji
achida kutora mvura yaitonhorera.Akashamiswa kuona
muzere nyama yakasiyana siyana kubva
kuneyehuku,yemombe,yenguruve nemasochisi
acho.Akabva angonyarara hake seasina
kuzviona.Akadzokera muimba yokutandara kwakubva
anogara nevamwe.Getty akabva aisira Sarah na mai vake
mvura yekugeza vachibva vageza havo.Sarah akafara
nehunhu hwaGetty zvekuti akatoshuwa kuti dai ariye
akaroorwa naTrevor.Kungoti aive akatanga kushanda
pamba apa mushure mekunge Leti atoroorwa.

Trevor akazodzoka kubasa kumazuva rodoka akabata


pizza nechicken inn yehama dzake dzainge dzauya
idzi.Akafara chaizvo kuona mai vake nehanzvadzi yake
sezvo aive avasuwa.Mai vake aisamboda kuvashaya
zvekuti asati aroora aitoenda kunovaona kupera
kwemwedzi woga woga.Mushure mekukwazisana pamwe
nekubvunza dzimwe nyaya,Sarah akabva ati "nhai
mukoma Trevor,mari yamatitengera zvinonaka iyi dai
mapa maiguru Leti vashandisa pakuuya kuzotitambira
kumbare nekuti tanga takaremerwa nezvinhu
zvatakuvigirai uye mari iyoyo yaikwana futi kutenga
matemba kana madomasi zvawo ekudyisa sadza pane
mavheji asina chinhu atadya patasvika pano." Mai vake
vakabva vamutarisa neziso raiti nyarara iye achibva
atoenderera mberi sezvinonzi aive anzi wedzera."Hongu
tinogara hedu kumusha asi hatisati tambodya sadza
nevheji risina kana domasi zvaunonyatsozivawo iwe inga
imi mukauya kumusha tinokuurairai huku wani" akadaro
Sarah.

Leti aive anyarara kunge munhu asipo.Trevor haana kuda


kunyadzisa mudzimai wake pamberi pamai vake akabva
angovakumbira ruregerero.Vakazoti vave kudya manheru
Trevor achibva ati "ende mudzimai wangu anobika
ndinokwara nechikafu chinonaka mazuva ese pano." Sarah
akabva akanda ziso kunaLeti achibva akanda futi rimwe
kuna Getty.Ave kuda kutaura akabva adimburirwa na
amai vake ko aiva mafirakureva ka munhu
wacho."Chokwadi muroora chaiye" vakadaro mai
Chauya.Chaaisaziva Sarah ndechekuti hanzvadzi yake
yaiva murima, yaitofunga kuti Leti ndiye anokanga
chaizvo iye ari Getty aibika.

End of chapter 20
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 21
Kutaurisa kwaSarah kwakaita kuti Leti amuvenge.Aive
ongoshuwira kuti amwene vake vapore vagodzokera havo
kumusha naivo tete vake vekutaurisa maningi.Leti aitoona
kuti kugara kwavo pamba ipapo kwaitozoita kuti vazive
kuti aiva munhu anehusimbe pamwe nehuchapa.Izvi
zvakaita kuti ambonyepedzera kuita munhu kwaye nekuti
aiziva kuti Trevor akangozviziva chete aizosiiwa
pachena.Kubika chaiko aive ombobikawo zve apo ne papo
asi zvaibikwa zvacho, shoko rekuti mbwizhu chairo
harikodzeri pakushevedza zvaibikwa na Leti.Aibika
tomonyongo chaiyo.Trevor semunhu aisada kubvunza
kukanganisa kwemudzimai wake pamberi pevanhu
aizomubvunza vava muimba yavo yokurara onyeperwa
kuti ndiGetty anenge abika.

Iye Trevor nguva yese yaakagara naLeti


aisambozvitarisawo kuti mabasa emumba arikufambiswa
sei sezvo aingotiwo hazvinei neni.Mumwe musi Getty aive
ari mubathroom achiwacha hembe dzaLeti.Sarah akabva
apindamo achitoda hake kumbotaura naye nyaya sezvo
vaive vangosara vari vaviri pamba.Mai Chauya vaive
vaenda kunotariswa kuchipatara naTrevor uyuwo Leti aive
aenda kunoona Linnet.Mazuva ose aingoswera airipamba
asingambovhakache kana kufamba.Asi mazuva aya aive
oswero famba famba nekuti amwene vaivapo.Aiti akaenda
kwasisi vake Linnet voswera vachinyeya amwene pamwe
na tete vake.Aitozodzoka kumba kana nguva yekuti Bruce
adzoke kubasa yave kukwana sezvinonzi iye aiendawo
kubasa.Kana adzoka aingosvikonyepera kurwara
onozvivharira muroom make.

Sarah azviona hake zvese zvaiitwa nemuroora wake asi


aingonyarara hake nekuti hazvaizoita kuti angopomera
munhu mhosva asina chokwadzi nazvo kuti kunyepa here
kana kuti kwete.Aigarozviudza kuti rimwe zuva gava
richadambura musungo nekuti hapana chisingaperi.Mai
Chauya vaida muroora wavo pachokwadi.Leti vaimuda
kunge mwana wavo chaiye.Vaimunzwisisa kana akati ari
kurwara nyangwe zvazvo vainyeperwa.Amwene vaLeti ava
vaiva munhu anotsvaga zvakanaka chete
pamunhu.Vaigarowanzirwa nemamwe madzimai ezera
ravo nenyaya yekuva nemoyo murefu uye moyo wakanaka
kumutorwa asi vaisamboita basa nazvo.Vaigaroudza
vanhu vaivaseka kuti "mutorwa mukadziwo, nerimwe zuva
achavawo amwene kumuroora wakewo inga isu tiri
varoorawo wani kuvabereki vevarumewo vedu." Regai
zvichinzi Mwari anoshamisa zveshuwa,muroora chaiye
anowanzoita amwene vasingaite ,amwene vane moyo
wakanaka vachiitawo muroora asingaite.Ndinotoshaya
kuti pakasikwa sei ipapo.

"Nhaiwe Getty,hunhu rudzii wekuti nhumbi dzemukati


dzauri kuwacha idzo dzinochengetwa dzozowachwa
dzawanda?"akabvunza Leti."Hadzisi dzangu vatete ndedza
maiguru Leti" akapindura Getty.Sarah akashamiswa nazvo
zvekuti akatombofunga kuti arikurota.Akabva angoti "siya
izvozvo uwache dzimwe hembe achauya achiwacha ega
Leti iyeye kana kutoti itosiya hembe dzese idzodzo achauya
achiwacha" aive ashatirwa hake muera nzou.Pasina nguva
Leti akabva adzoka."Nhai maiguru kuvaviwa nemari here
kwekuti mungabva mawachirwa hembe dzemukati
nemukadzi mukuru anenge iwe huchapa rudzii ihwowo"
akadaro Sarah."Eh! Imi tete Sarah zivai zvamukafambira
pano zvinei nemi izvozvo handisirini ndakati musaroorwe
ini itaiwo dzenyu dzimba apa.Nditore nestress dzangu imi
motoda kunditi pwetere pwetere muchindibvunza zvisina
basa ndimi munomubhadhara here Getty wa...." haana
kuzopedzisa kutaura amharwa nayo mbama naSarah.

Leti akarohwa zvekuti dai vaiva panze aichera zigomba


chairo osvipa kuti handichazviiti futi.Trevor ndiye
akatozosviko bata Sarah zvibhakera zvichingonaya chete
kuna Leti.Trevor aisava munhu ane hasha dziripadhuze
hake dai aiva mumwe aitosvika nekurovawo hanzvadzi
yake nekuti anenge arova mukadzi wake."Chiiko chiri
kuitika muno munorwireiko nhai vanangu" vakabvunza
mai Chauya.Leti aive ongobowa kunge munhu afirwa
Sarah wo aive otadza kutaura nehasha ongoita kubvunda
chaiko achidedera akabata muchiuno.
End of chapter 21

Anenge auya kuinbox kwangu after 19:00 ndikasapindura


musazobatikane henyu nekuti l don't respond
kumamessages emabooks after 19:00
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 22

"Leti taura kuti chii chirikuitika muno" akadaro


Trevor,"bvunza ivo tete Sarah vangotanga kundirova ava"
akapindura Leti achichema."Sarah taura tinzwe" vakadaro
mai chauya vachigara pasofa,Sarah akabva ati
"zvakawanda zvaanoita zvisingafadze iye Leti uyu
ndichinyarara ndaona zvanhasi zvanyanya ndikati regai
ndimbotaura naye iye ondiudza zvekusaroorwa kwangu asi
akandigadzira kuti ndisaroorwe here?" "Nyatsotaura
nemo Sarah hatisikunzwisisa zvauri kuedza kureva"
akadaro Trevor.Sarah akabva aenderera mberi achiti
"musi watakauya pano takabikirwa muriwo usina
madomasi iyo nyama yakazara mufiriji,mazuva ose Getty
ndiye anobika zvinonaka zvose zvaunenge uchiganza kuti
mukadzi wako abika iye achibika mbodza dzega
dzega.Nhasi ndowana Getty achiwacha nguo dzake iye
Leti dzemukati kuti anyanyokoshei? Nyangwe vakadzi
vemabhozida vanowacha vega wani kuremara maoko here
kana kuti huchapa" akataura zvese neshungu.Trevor
akabva atarisa Leti neziso raive rizere nekusemeswa iye
Leti wacho akangotsikitsira.Sarah akabva apedzisa nyaya
yake achiti "ndomubvunza munezvakanaka oti handisirini
ndakati musaroorwe nyangwe ndimiwo mungaterere
matakanana iwawo mototi ehoi amuroora."
"Dai usina kuzomurova Sarah ko kana irinhumbu
inomudaro" vakadaro mai Chauya,"nhum? yacho iri
mumaoko here nhai mhamha haikona kusupporter hunhu
husina kunaka nekuti magara munototora divi remuroora
wenyu" akapindura Sarah.Trevor akabva ati "idama
ramataura iroro amai ndosaka ndatenga chipregnant test
chino ndatenga zviri zviviri mupharmacy kuitira kuti
zvisazonyepa.O leti enda unotester tinzwe maresults"
akadaro Trevor achitambidza Leti.Leti akabva aita
kukwakuka nemufaro achimhanya kubathroom
achingozviti nechemumoyo "ha! Iripo chete nenguva yese
yatave tichigara tese iyi ingagorega kubata kuti ndini
ndadii" akabva asekerera ndokuita zvaainge akaudzwa
naLinnet kuti ndomashandisirwo achaiitwa.Apedza akabva
asvikotambida mai Chauya avo vakabva ? musoro
kwakutambidza Trevor.
"Mazviona ka kuti inhumbu daddy" akadaro Leti
achinyemwerera apa maziso ake aive achakazvimba
nekuchema kwaanga amboita.Trevor akangodzingudzawo
musoro kwakubva atora makey ake emota kwakubva
abuda oita fungira mumoyo rwendo rwembwa."Shame!
Kutouya wakabata preg test ine mutsetse mumwe chete
wototi une nhumbu asi haugone kuverenga chirungu
chakanyorwa pabepa apo here chinoti mutsara umwe
chete unoreva kuti hauna nhumbu" akadaro Sarah akapeta
maoko ake akatarisa Leti.Leti akabva atora bepa riye
akakungura nechemumoyo chaange asina kumboverenga
bepa racho pakutanga.Akabva apinda muimba yake
yokurara kwakuzvivharira imomo achichema zvakapisa
mai Chauya tsitsi.Leti vaimuona semwana wavo chaiye
zvekuti vaisada kumuona achirwadziwa.Sarah akabva ati
ndamurova mbichana ndichitya kuti zvimwe ane nhumbu
asi zvaasina kudai ngaangoita masaramusi ake
ndigomutaridza chakatadzisa imbwa kuseka kunyenama
ichigona."
Akabva aenda kunogogodza padoor panaLeti zvinesimba
kwakubva ati "eh! Maiguru ndichipinda kubathroom uko
ndoda kuona washen irimo yavekutooma panze apo
yawachwa newe kwete naGetty" akabva adzokera kwaiva
namai vake kwakunogara navo achivatandadza.Letty
nekutya kurohwa akabva aenda kunowacha akananika
kwakubva adzokera mumba make.Getty akabika vanhu
vachibva vadya havo vari vatatu sezvo Leti aingove
akazvivharira uye Trevor aive asati adzoka.Vanhu vese
vakaenda kunorara Getty kwakusara ega achisuka ndiro
dzaive dzadyirwa.Pakarepo akabva anzwa maoko
achimumbundira kwakubva avhunduka ndokujambira
kwakadaro.Paakacheuka achida kuona kuti ndiani ndiye
dhuma dhuma na......

End of chapter 22

Thank you all for your support.Machapters ebook rino


handichape kuinbox kwangu kana uchida just send mssge
yekuti ndikupinze mugroup wopiwa imomo
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 23

"Ah! Nhai bhudhi mukuiteko“ akadaro Getty achishaya


kuti ko munhu waaishandira uyu waaiona kunge hanzvadzi
yake aiva oita zvipi futi."Tyora zvako kani wombomira
kunditi bhudhi wotonditi dzedzi hanti ndiwe
unondiwachira nekubikira saka ingopedzisa ka mabasa
aunoita ayo anofanirwa kuitwa nemukadzi wangu"
akadaro Trevor achibata Getty muchiuno.Getty akazara
nekutya kukuru zvekuti aingofunga zvaaigona kuzoitwa na
Leti kana akawanikidzwa akakochekerwa nemurume
wake."Ndokumbirawo musadaro kani bhudhi
tikawanikidzwa muno basa rangu ropera ndozochengeta
sei amai vangu varikumusha sezvo muchizivawo kuti
ichirikadzi" akademba demba Getty.Trevor akabva ati
"ndosaka ndiripo ka ndoda uve mudzimai wangu mai vako
ndovachengeta" akadaro Trevor achinyatsoratidza kuti
arikurevesa.Ko doro aive anwa hake asi aive asina
kudhakwa aiziva zvaaiita.

Kubva zvakatanga Getty kushanda pamba apa Trevor


agara aichiva runako rwaGetty uye hunhu hwake
hwakanaka asi aive asina kumbobvira akaita pfungwa
yekumuda semudzimai kana zuva rimwe zvaro sezvo aive
akapa moyo wake kuna Leti.Huchapa uye hunhu hwakaipa
hwaLeti ndihwo hwakaita kuti moyo waTrevor urwarire
Getty.Sezvo aive anyatsonzwa zvese zvakaipa zvaiitwa
nemudzimai wake Getty akave dzawira mutswanda
kwaari."Ndokumbirawo mundisiyewo kani ndokuonai
sehanzvadzi yangu imi musandidaro" akadaro Getty ava
kuchema.Trevor akabva amusiya achibva amhanya
kuroom kwake kwakunozvikiyira imomo.Trevor akasara
apererwa achifunga zano raangaita kuti ahwine
Getty.Musi uyu moyo wake waiva wafuratira Leti zvekuti
aitoita kunge munhu abva kupengenuka mukudyiswa iye
asina hake.Getty akabva apinda mumagumbeze achida
kurara hope dzikaramba kumubata.Aingoramba
achirangarira zvainge zvabva kuitika zvichimutenderedza
pfungwa.Akabva angozvinyaradza nepfungwa yekuti
Trevor aive anwa doro saka pamwe ndoranga
richimushandisa.Akazobiwa nehope kwava
kunoedza.Mangwanani acho akamuka ndokupinda
mukitchen achida kugadzira kudya kwemakuseni ndiye
dhuma dhuma naTrevor.Akabva adzikama hake sezvo
aifunga kuti zvaive zvazuro chete zvedoro.Akabva atyora
muzura achikwazisa Trevor sezvaaisiita mazuva ose
wanike ngoma ndiyo ndiyo.

Beauty aive akagara panze achitamba nevana vake avo


vaive vatova nemwedzi miviri apo pakasvika Bruce,
vaRudhaka navaZvaita munyai wavo.Akavakwazisa
achibva apinda navo muimba yokutandarira umo maiva
nevabereki vake iye ndokubva: ashevedzwa.Baba vake
ndivo vakapira nyaya kwaari vachiti "eh! mwanangu
murume wako abvisa mari iri mundiro umo kwanzi ava
kuda kuti mugarisane zvakare semurume nemudzimai saka
iwe unoti kudii nazvo" ,Beauty akatanga ambopukuta
misodzi yaida kubuda mumeso ake kwakubva ati "ndine
urombo Bruce bundu raukandipa hapana anokwanisa
kuripodza wakatora mumwe mudzimai handina kupokana
nazvo,ukandipumha uroyi ukandidzinga ndikanyarara
ndikatenga preparation ndega ndichibatsirwa nevabereki
vangu.Nekuti mumadzi waukasarudza akatadza kukuitira
mwana wawaichemera wakudzoka kwandiri uchidei futi?“
Bruce ahana kupindura akangoramba akatsikitsira.

Mai vaBeauty vakatora mwana wavo kwakuenda naye


panze kwakutaura naye vachimukumbirisa kuti adzokerane
nemurume wake.Vakadomuonesa kukosha kwababa
kuvana vake vadodini asi Beauty akaramba akaomesa
musoro.Vakadzokera mumba vachibva vataura
zvaivepo.Bruce akadonyengerera achibatsirwa nababa
vake asi Beauty akatoti gotsi papata iya yakaimbwa na
Sniper.Vakazongokumbira kuona havo vana vachibva
vatenderwa pamwe nekuudzwa mazita avo.VaRudhaka
vakarwadziwa kuti vakatadzawo kupa muzukuru wavo zita
nekuda kwehupenzi hwemwana wavo.

Linnet aive akagara pamba pavo achinyeya vatete vake


(hanzvadzi yemurume) na mai Tino vaya vekumuudza
zvekusununguka kwaBeauty.Ko makuhwa ndokwaive
kubasa zve.Akazongoshamisika aona tete vaaireva vacho
vamire kumashure kwake vakabata muchiuno."Hoo
ndozvaunondiita nhai,kutotadza kutsvaira mumba
zvakanaka mukadzi mukuru uchiita makuhwa
chandikambokutadzira chii chekuti ungatadze kundiudza
ndogadzirisa pandinenge ndakanganisa nhai muroora"
vakadaro tete vake mai Zviko.Linnet akashaya pekupinda
nenyadzi kwakutanga kukakama achiti "ah! ....te...te
End of chapter 23

Thank u nemacomments anoita kuti ndifambire mberi love


u all mafans angu
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 24
"Ah!....te...te...handizvo zvamurikufungira" akadaro
Linnet,"haiwa haikona kuda kuzvichenesa iwe mukadzi
waGilbert, zvakawanda zvaunotaura pamusoro pangu
zvichisvika munzeve dzangu ndisingambozviteerere asi
nhasi ndakubata ndega" vakadaro tete vaLinnet.Linnet
anga apusa zvino akayeva tete vake achifunga kuti
acharohwa.Tete vake vakabva vati "pano ndopagumira
hukama hwedu muroora nyangwe ndikafa usauye hako
kuzondichema ukangondichema chete ndichakunongedzera
pabody viewing" naiwawo mashoko vakabva vaenda havo
kumba kwavo."iwe mukadzi iwe ndogara ndichikutsiura
nenhau yako yemakuhwa chiona kwazvakusvitsa apa tete
vawaburana navo ava ndivo vega hanzvadzi yemurume
wako" akadaro mumwe mukadzi wechikuru aigara panext
pavo.Linnet akabva amuridzira zitsamwa kwakubva
apinda mumba.

Linnet aiva nemwana mumwe chete musikana aiva


nemakore 10 uyo aigara na amwene vake
kumusha.Aidawo mumwe mwana asi zvairamba.Hama
dzemurume wake dzaigutsikana nemuzukuru mumwe chete
iyeye saka vaisaita havo basa nazvo.Paakanzwa door
richivhurwa akabva aziva kuti murume wake aiva
adzoka.Akabva atanga kuchema kunge mwana mudiki
arohwa mai vake vasipo."Chii nhai mai mwana waita
sei?" Akabvunza murume wake, Linnet akabva anyarara
achibva ati "ndaenda kwanatete kunovaona ndichibva
ndasvika vachindinyeya nemukadzi wepamba pavo ndabva
ndavabvunza vachibva vandituka" akarudunura hake
manyepo mwana wekwaRudhaka.Murume wacho akabva
atanga kumunyaradza achimuvimbisa kuti zvichanaka.Iye
Linnet akabva atoita kuyema chaiko kunge chana chidoko.

Getty akaita mazuva achipfimbwa naTrevor achitsika


madziro.Mumwe musi vainge vasara pamba vari vaviri
sezvo mai Chauya naSarah vainge vadzokera kumusha uye
Leti aiva aendawo kwamai vake avo vainge vamudeedza
kuti vagoenda naye kwambuya Chamu kunobvunza nyaya
yembereko yake."Nhai Getty haunzwiwo here kuchema
kwangu ndiwe ngoma yandinorwarira ingondiporesawo
kani" akadetemba Trevor akapfumira Getty akutoita
nekuyeredza misodzi.Ndipo paunoona kuti nyangwe
murume akashinga chaizvo weakness yake iri pamukadzi
waanenge achida nomoyo wese.Getty akabva akamboita
nguva akanyarara achiona hake drama raaiitirwa
naTrevor.Papera chinguva akabva ati "chiregai kudaro
bhudhi simukai kani.Ini zvekuroorwa ndizvida hangu asi
kwete nemurume wemunhu", Trevor akabva ati "haisi
nyaya Getty ingondibvuma chete rovira Leti ndatomupa
gupuro." "Ko hama dzako dzinoti kudii vachinzwa kuti
wakaramba mukadzi wako musvinu uchida musikana
webasa anenge ini" akabvunza Getty."Usatombonetseke
mudiwa ukangofarirwa naSarah chete unenge wadiwa
nemunhu wese" akapindura Trevor.Getty akabva abvuma
Trevor uyo akaita seachapenga nemufaro.

Rudo rwakatanga kutsva mumba umu.Trevor naGetty


vainzwanana chaizvo segonzo nechin'ai.Getty aive anyura
murudo zvekuti aitoita shanje kana akanzwa Trevor
achitaura naLeti pafoni aitoita hasha.Veduwe zvinoita
rudo kana ruchangotanga so munotomboita kunge
marasika njere.Kumakomoyo rombo rakanaka raisava
kudivi raLeti, aisvika achishaya mbuya Chamu mazuva
ose.Mbuya Chamu vainge vakaenda kuGokwe uko
kwaigara mwana wavo mukuru.Leti akasvika pakudzoka
kuHarare vasati vadzoka.Akaenda kuHarare uri musi
weMugovera apo paisaenda Trevor kubasa.Musi uyu
ainge asina kufonera Trevor achimuudza kuti ari
munzira.Aida kuitira mudiwa wake surprise asi iye ndiye
akazova surprised.

End of chapter 24

Hakusi kugona kwangu tinoonga iye Musiki


[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti

CHAPTER 25

Leti akapinda hake mumba ndokusiya mabhegi ake


nezvinhu zvaaive auya nazvo muimba
yokutandarira.Haana kuda kushevedza Getty kuti auye
kuzomutambira sezvo aisada kunzwikwa
naTrevor.Pfungwa dzake dzaiva pa mota yeNadia
inyowani yaaive aona panze.Mumoyo make aingoti "mota
iyi ndeyangu chete yandatengerwa naTrevor sezvo
akagara andivimbisa kuti achanditengera mota."
Akatoenda hake kubedroom kwake kwakubva asvika
musina munhu.Akabva aenda kuroom yaGetty
kunomushevedza.Achisvika padoor akanzwa mazwi evanhu
vaiseka havo vachitaura nyaya dzerudo.Mazwi evanhu ava
akaaziva asi moyo wake wakamurambira kubvuma kuti
ndiTrevor wake aitaura naGetty.

Akabva avhura door racho achida kunyatsoona kuti ndizvo


here zvaainge anzwa.Akashamiswa nezvaakaona
kwakubva adonhedza foni yake pasi ikatsemuka
screen.Trevor naGetty vaitova mudenga rechinomwe
chairo vakapfeka nhumbi dzavo dzokuzvarwa nadzo apo
pavakaona Leti akamira padoor akabata muromo."Trevor!
ndochii chaurikuita? Ndosaka wanga usisandifonere
nekuti wanga uchihura netsvina iyoyo" akadaro Leti
achienda paiva naGetty achida kumurova."Tsvina iyoyo
ndoinondiitira irinani panewe ukangomugumha chete
unenge wagumha ini ndopauchaona kuti muera nzou
haadheererwe" akadaro Trevor achimira pamberi
paLeti.Pakarepo Getty akabva angonzwa kusvotwa
kwakubva amhanya kutoilet kunorutsa.Trevor akabva
aendawo ikoko Leti achiteverawo arikumashure.
"Getty chii nhai mudiwa wangu" akabvunza Trevor,"ah!
Handisikuziva ini ndirikungorutsa pamwe nekupera simba
makuseni oga oga ndatova nesvondo rese ndichingodaro"
akapindura Getty.Trevor akatanga ambosekerera
kwakubva azoita zvekumusidza chaizvo.Akabva ati "ko sei
usina kundiudza kuti mwana zvichauya?" ,"urikuedza
kureva kutiiko pamwe inyon'o" akapindura Getty."Kana
uyu ndijunior chete chitogadzirira tiende kuchipatara
kwachiremba chaiko mapregnant test ekutenga ndega
angazondiudza zvisizvo" akadaro Trevor.

Nguva yese iyi Leti aive akayeva vaviri ava akapeta maoko
ake achiyeredza misodzi.Trevor akabva amutarisa
kwakubva ati "ko iwe uchakamirirei ipapo dzokera
kwawabva" ,"handina kwandoenda ini ndingatobva pano
ndavamubhokisi dai watondipa hako makey emota
yawanditengera iri panze apo" akadaro Leti
asingambogaye hake.Trevor akambotanga aseka
kwakubva azoti "waspoiler surprise yangu, mota iri panze
apo ndeyemudiwa wangu uyu achandikudzira dzinza
rangu kwete iwe." Getty akamboita kunge akanganisa
kunzwa kwakubva ajambira Trevor nemufaro zviya
zvekusvotesa Leti.Leti akamboita searikurota panguva
iyi.Trevor akabva ati "kana uchida kubva pano uri
chitunha hazvina kuipa mira ndifonere Sarah auye."

Leti paakanzwa zva Sarah chinhu chakatanga kuuya


mupfungwa dzake musi waakadzinga Beauty kunge imbwa
pamba pehanzvadzi yake.Akabva arongedza zvinhu zvake
zvese kwakubva abuda.Haana kuda kuenda kumusha
nekuti aitya kuzosekwa nevavakidzani.Akabva afunga
zvekuenda kwana Linnet kwakubva akwira kombi onanga
kuMufakose.Akasvika Linnet akagara nemurume wake
vachinwa havo tea nechingwa chinemazai
nesausage.Linnet paakaona mikwende yaive naLeti mufaro
wake wese wakabva wapera kwakubva afundumwara.Leti
paakavamhoresa akangodairwa nabamukuru vake chete
sisi vake vakaramba havo vachidya vachiita kunge vasiri
kuzvinzwa.

End of chapter 25

Handei naro book ndisingakanganwe kutenda Musiki


[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 26
"Ko huyai tinwe tea nhai mainini" vakadaro bamukuru
vaLeti uyo anga achangogara pasi,"imboitai henyu
handina kana appetite" akapindura Leti.Vakapedza kudya
Linnet akanyarara achibva arongedza ndiro.Mushure
mekanguva akabva ati "kwakanaka here nhai mainini
kwamabva maita kuuya nemikwende yese iyi?" Leti akabva
ayeredza misodzi kwakubva ati " zvakaoma sisi
ndarambwa naTrevor" ,"hezvo hanzi zvadiiko? Ndazviziva
ini kuti hakuna kumira mushe kwawabva" akadaro
Linnet."Ndasvika akarara nemusikana webasa uya
wandaiti anonzi Getty apa atova nenhumbu yake" akadaro
Leti.Linnet akabva ati "hoo inga zvakaoma saka manga
mafunga kudii nhai mainini?".Mubvunzo uyu wakarova
Leti kumeso sechibhagera sezvo aive asina
kuutarisira.Akabva angoti "ndatopererwa ini sisi
handichazivi kuti ndodii ndosaka ndauya pano."
Bamukuru vake vakabva vapinda muimba yekutandarira
iyi sezvo vanga vambobuda havo umu vachida kupa vana
vanyamunhu mukana wekutaura.Vakabva vati kuna Leti
"ndine hurombo mainini masvika ndakutobuda oyi mari iyi
mozotsvagawo drink." Leti akatenda bamukuru vachibva
vabuda havo.
Linnet akabva apinda mubedroom make kwakubva adzoka
akabata mari."o mari iyi shamwari wotokwira bhazi
remasikati woenda kumusha hazviiti kuti tigare newe
pano" akadaro Linnet achinyatsoratidza kuti
arikurevesa."ah! Nhai sisi moda kuti ndiende kunoita
chiseko chemusha here nhai" akadaro Leti arwadziwa
nemuitiro wasisi vake vaaivimba navo ava."Leti
ndirikukupa mari yebhazi iwe wotoda kushaina hako kana
usingaide rega woenda hako netsoka" akadaro Linnet
akupopota.Leti akabva angotambira mari iya kana maita
basa zvayo yakaramba kubuda mumuromo wake.Akabva
atakura mabhegi ake kwakubuda.Akatanga kufunga
mazuva aaiswera naLinnet achifurirwa kuti abate Getty
kunge chikorobho sezvo aive agere samambokadzi
akarwadziwa zvekuti akanzwa mabayo pachipfuva.Akabva
afunga zvekuenda kwanaLocadia ndipo paakarangarira
kuti sisi vake ava aive asisazive kwavanogara sezvo
kwaaiziva vaive vakatama kare.Veduwee kushaina
kunoparira shuwa ungatadze kuziva pamba panogara
mwana wamai vako? Ngatisavhaire tichidaro wozoda
kuyeuka bako iwe watonaiwa.Sezvo foni yake yaive nemari
yekufonesa,akabva afonera Loca achimubvunza
paanogara.Loca akabva angomuudza kuti anogara
muKambuzuma asi parizvino aive asipo aiva avhakacha
kumusha kwemurume wake.Zuva rakasvika pakuvira Leti
achingotatarika achishaya kwekuenda.Kuti aende
kwaBruce zvaisaita nekuti Bruce aive aperekedza baba
vavo kumusha sezvo Beauty aive achakangoomesa
musoro.Ndipo paakabva arangarira kuti muMufakose
makare ndimo maigara Beauty.Akambozeza pfungwa
yekuendako achibva azorovera moyo padombo sezvo aive
asisina kwekuenda iko kwaiva kwatosviba.

Akabva afonera Beauty ichibva yangodairwa ipapo."Halo


makasimba here tete" akadaro Beauty,Leti akanzwa
kubaiwa mumoyo paakanzwa Beauty achimushevedza kuti
tete.Nezvakaipa zvese zvaainge amuitira aiva
achirikungomuona satete vake? Uyu mubvunzo
wakatenderera mumusoro maLeti zvekuti
akatombokanganwa kuti aripafoni.Beauty akabva ataura
zvakare achingoti "halo" ,Leti ndopaakazopepuka
mundangariro achibva atanga kuchema zvainzwika
pafoni.Beauty akabva amubvunza kwaaive achibva
audzwa.Beauty akabva angotora makey emota yababa
vake kwakubva asiya vana vaina Betty kwakuenda
kunotora tete Leti.Vabereki vake vaisavepo sezvo vaive
vaenda kunhamo yeshamwari ya amai vake kuMhondoro.

Beauty akasvikowana tete vake vakagara pabustop


achibva atora zvinhu zvavo kwakuisa mumota asina
kumbotaura navo.Akabva avati vapinde achibva apinda
hake Leti.Beauty akatyaira mota akanyarara hake kusvika
vasvika kumba.Leti aive akangotsikitsira achizvidya
mumoyo.Ko aigorega nei iye aiva abatsirwa nemunhu
waaishora semutorwa iyo hama yake chaiyo yaaivimba
nayo yaiva yatadza kumubatsira.
Vasvika kumba kuya Leti akaisirwa mvura yekugeza
achibva aisirwa chikafu akadya.Apedza vakazogara pasi
achibva ataura nyaya yake.Beauty akarwadziwa nezvainge
zvaitika kuna tete vake sezvo aizivawo marwadzo
azvo.Akanyaradza tete vake pamwe nekuvavimbisa kuti
zvaizonaka.Papera chinguva Leti akabva ati
"ndiregererewo muroora wangu ndakakutadzira chaizvo
handitombokodzere kuva muno" ,"haikona kudaro tete
muri mumwe wangu imi tete hapana chakambosiyana
pamuri naBruce ndokudai mose" akadaro Beauty
achitosekerera hake."Maita henyu maiguru hakuna
mumwe anokodzera kuva mukadzi waBruce asiri iwe"
akadaro Leti.Vakatozosvika pakurara ungori mufaro
bedzi,Leti achitamba nevazukuru vake avo vaive vatova
nemwedzi mina vavakutodzidzira kugara.

Vabereki vaBeauty vakazodzoka mushure memazuva


matatu.Vakatambirawo Leti nemufaro,ko vaisava vanhu
vanehutsinye zve, zviya zvekunzi nekuti ihama yemurume
akarambana nemwana wedu vaisambozvitarisa.Leti
akazogara svondo rese aripo pamba apa achibatwa
semwana wepo.Akazooneka afunga zvekudzokera
kwaMutare.Ko papi pacho paaizogara kwenguva refu
pamba ipapa.Beauty akabva akumbira kumuperekedza
sezvo aida kunoratidzawo Masibanda zvizukuru zvavo
zvavaichemera.Vabereki vake havana
kumurambidza.Akabva ashandisa mari yake yaaive
atambira kubasa kwake sezvo aive akadzokera
pabasa.Aive asisashande pamwe chete naBruce sezvo aiva
akakumbira kuchinjwa kwekushandira sezvo aisada
kuonana nababa vevana vake.Akatenga tenga zvakawanda
vachibva vapinda munzira vonange ikweyo kumakomoyo.

End of chapter 26
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti

CHAPTER 27

"Ko makasimba here vahanzvadzi" vakadaro mai Kuda


hanzvadzi yemurume waLinnet,"ndiripo hangu vatete imi
ndimi marova hamuchadi kuuya kumba kwangu asi
kwakamera shumba here?" Akapindura Gilbert."Ndouya
kuzoitei hangu ini ndakagura hukama nemukadzi wako
pandakaguma kuuyako vhiki rapfuura ndikasvika
achindinyeya nemukadzi anogara pamba penyu" vakadaro
mai Kuda.Gilbert akambokwenya musoro achiedza
kurangarira mashoko aive ataurwa nehanzvadzi yake
iyi.Pfungwa dzake dzaizvitongesa sezvo aiva audzwa
mashoko mamwe chete iwaya naLinnet achiti ndiye aiva
aitirwa izvozvo navatete vake ava.Akabva aziva kuti Linnet
ndiye anga anyepa chete nekuti kubvira vachiri vadiki mai
kuda vaisambova munhu anonyepa.Akabva afunga zano
raizoita kuti abate chokwadi kwakubva atora foni yake
kwakufonera mudzimai wake.

Linnet aiva akatozvambarara hake paverandah


achiteerera kamumvuri kaivepo sezvo kwaipisa chaizvo
masikati iwayo.Foni yake yakabva yarira ndokuona ari
murume wake aifona kwakubva adaira nemufaro."Halo
maswera sei dzedzi" akadaro Linnet achiyemera mudiwa
wake pafoni ipapo,"mushe huya kwatete mai Kuda pane
zvandikuda kuti uzondibatsira kutakura" akadaro
Gilbert.Linnet akambobvunda ofunga mhosva yaaive abva
kuita mumazuva apfuura kwakubva ati " hoo kwakanaka
hako here?" ,"kunogoipei? kasika ndakakumirira" akadaro
Gilbert kwakubva akata foni yake.Linnet akabva afara
achifunga kuti tete vake vaiva vasina kumumhangarira
kumurume wake.Akabva apinda munzira onanga kwatete
vake avo vaigara kudhuze nekuchipatara.
Akasvika pamba paya kwakubva vakwazisana.Mushure
mezvo Linnet akaringa ringa mumba umu achida kuona
zvinhu zvaaive adedzerwa kuti agotakura
akazvishaya.Paakada kuti abvunze akabva atangirwa
nemurume wake uyo akabva ati "nhai Linnet ko musi
wawaiti wakauya kuno wakati wakasvika tete
vachikunyeya musi upi zviya?" Akadaro Gilbert asingade
kurova imbwa akaviga mupini.Mai Kuda vakashamisika
nezvainge zvataurwa nehanzvadzi yavo kwakubva vatarisa
muroora wavo neziso raiti "ndizvo here?" Linnet haana
kupindura akaramba akatsikitsira akanyarara ndofunga
aive okurirwa nenyadzi sezvo aiva abatwa kuti
akanyepa."Kunyarara kwako koreva kuti wakanyepa
ndozviziva, anyway handidi hangu zvekunetsana newe
kasika kukumbira ruregerero" akadaro Gilbert.Linnet
akapfugama kwakubva akumbira tete vake ruregerero
achiombera.Mai Kuda vakamuregerera havo asi
nechemumoyo vaingoti ndichakubata hangu.

Linnet akazooneka odzokera kumba kwake sezvo aive


asisakwanise kuramba akagara mumba umu nekuda
kwenyadzi, akasiya vana vanyamunhu vachibhuya
havo."Ko nhai Gilbert zvandanga ndichatokanganwa
zvandakushevedzera pano" vakadaro mai Kuda.Gilbert
akabva anyatsoteya nzeve dzake kwakuti "taurai henyu
ndakateerera","nyaya yandakudanira pano ndeyekuti
pane musikana wandakakurongera wandirikuda kuti
uroore" vakadaro mai Kuda.Gilbert akaashamisika
nezvaive zvotaurwa nehanzvadzi yake imwe chete iyi
kwakubva ati "hezvo! Ndomudii ko nhai sisi",mai Kuda
vakaenderera mberi voti "usaite kunge mwana mudiki iwe
unoda kufa une mwana mumwe chete musikana futi
pamusoro pazvo uneshuwa here iwe?" Gilbert akamboita
nguva akanyarara kwakubva ati "ndichafungisisisa
nezvazvo." Vakazotaura havo dzimwe nyaya kwakubva
azooneka odzokera kumba kwake achingozvidya
mupfungwa nekuda kwezvainge zvataurwa navahanzvadzi
vake.

Kuside kwaLocadia zvinhu zvaimufambira chaizvo.Hama


dzemurume wake dzaimuda chaizvo uye vaimubata
zvakanaka.Ko vaigotadza nei havo iye aibatawo sehama
dzake chaizvo sezvo aisava hake munhu anehutsinye.Loca
munhu aiziva kukosha kwevamwe.Aiziva kuti kana munhu
achinge aroorwa matova nyama imwe nemurume wako
zvichirevawo kuti hama dzemurume wako dzinenge dzava
dzakowo uye dzako dzava dzakewo.Kwete kuti unobata
hama dzemumwe wako zvakasiyana nemabatiro aunoita
dzako aiwa hazvina kunaka mufunge.Zvakangonakawo
kungoitawo zvinhu mese semurume nemukadzi ndokuva
nyama imwe kwacho zve kwete kuti hama dzako chete
ndodzinofanira kuitirwa chakati.Loca aitenda Mwari
nekuda kwemhuri yakanaka yaaive aipihwa.Ko
aigoregererei hake? Zvinoda kutendwa.

End of chapter 27
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti

CHAPTER 28

Mai Kuda vaive vakagara Gladys uyo wavainge varongera


Gilbert."Mai Kuda mune shuwa nezvamurikuita here
imi?Gilbert anondidii ini ndirichirikadziwo hayo?"
Akamwaya mibvunzo Gladys."Ko zvine basa rei? Kufirwa
nemurume hazvirevi kuti hauchazi mukadzi pavamwe
vakadzi.Hanzvadzi yangu ndakatomuudza zvese
ndikamuratidza mifananidzo yako akakufarira" vakadaro
mai Kuda vachiita kakunyengerera.Gladys akamboita
chinguva akanyarara kwakuzoti "kana achindida hangu no
problem asi handidi kugara pamba pamwe nemukadzi
wake ndingatozomuka ndakaoma" ,"usatye iwe chitofara
kuti watopinda machena ingobvuma Gilbert nhasi chaiye
unoswera wava kurojerwa uye muchatombogara mese
kuitira kuti muwane mukana wekuita mwana" vakadaro
mai Kuda vachibva vaseka vese.Gladys akabva angoti
"zviuya zviedwa, regai timboona kwazvosvika."

Gladys aiva best friend ya mai Kuda.Murume wake aiva


akashaika mushure mekunge varoorana kwegore rimwe
chete.Aiva akaita tsaona achibva kuVictoria falls uko
kwaaive aenda aripabasa.Gladys aiva nemwana
mukomana mumwe chete uyo aiva atova nemakore
mashanu sezvo baba vacho vaive vashaya achiri
mucheche.Kubva zvakashaya murume wake aive asina
kumboroorwa zvakare chero kungodananawo hako
nechero munhu.Hakusi kuti aishaya anopfimba
kwete,aitova munhu akanaka pachiso zvese nepamoyo uye
aivewo nechimiro chaisashoreka pamwe nehunhu
hwakanaka.Aisada kumhanyirira kuroorwa zvakare nekuti
aida kuti mwana wake amboti kurei, ko kana uri single
mother zvonetsa ka kuwana anokweva sanzu pamwe
nemarara aro.Zvekuenda pabarika aiva asingazvidi hake
asi akazobvuma mushure mekunge anyengererwa namai
Kuda.

Gilbert akazofungisisa pamusoro paGladys mushure


mevhiki rimwe achibva azobvuma kumuroora.Vaive
votaura pafoni naGladya zvakanyanya zvekuti vakasvika
pakujairana.Vakatanga kudanana chaizvo zviya zvinoita
vachangobva mukupfimbana.Vaiita pasi pakudanana
kwavo vachiitira kuti vanhu vasazive vasati
varoorana.Vainosangana kunze kweMufakose vachiitira
kuti vasaonekwe nevanhu uye nguva zhinji vaitosangana
kwa mai Kuda.Pamai Kuda hapana aimbovafungira sezvo
Gladys agara aive sahwira wamai Kuda uye paiva
nedurawall zvekuti nyangwe munhu aipfuura aisamboona
zviri mukati.Mai Kuda vaitombovhakachirana nemuroora
wavo Linnet vachiseka vese.Regai vakuru vakati zino
irema rinongosekerera nyangwe nemuvengi waro.Mai
nhiya vedu Linnet vaitove murima havo vasingatombogaye
kuti kunze kunei.Vaitoitwa hwekurumwa negonzo
richifuridzira.
Linnet akazotanga kuona kuchinja kwaiva kwava kuita
murume wake asi haana kuda kumhanya kumufungira
zvakaipa sezvo aivimba naye chaizvo.Gilbert aive
asisasiye foni pasi aiva otoita nemumvura mese
nayo.Nyangwe pakucharger chaipo yaiiswa pacharger
yakagadhwa ichingozara yoiswa muhomwe.Nepassword
chaiyo yaive yatoiswa izvo zvakaita kuti Linnet anyumwe
nekuti kubva vagare vese naGilbert vaingobatirana mafoni
pasina kuvanzirana.Gilbert aive ononoka kuuya kumba
kana achinge abva kubasa.Dzimwe nguva aitobuda musi
waanenge aripa off otonyepera Linnet kuti ari kuenda
kubasa iye achinosasana hake naGladys.

Mari yeroora yaGladys yakasvika pakubviswa Linnet


achingozviti kana pane zviripo ndichazvibata.Gladys
akabva aendesa mwana wake kumusha kwake kuti
anogara naamai vake.Akabva atanga kurojerwa naGilbert
ava small house yake.Gilbert akatanga achiita zuva rimwe
chete asingarare pamba akazopedzisira oita kana vhiki
rose asingarare pamba.Linnet akambotanga achabvunza
kusvikira anyarara atoona kuti aitaura
nedombo.Rinamanyanga hariputirwe hamawe,chokwadi
nyangwe chikavigwa sei chinosvika pakubuda pachena
chega.Mumwe musi wakauya Gilbert akasiya foni yake
iripacharger achinogeza achitemba hake
password.Yakabva yarira Linnet akamboita imwe pfungwa
yaimuti endesa kumuridzi wayo.Akabva atanga atarisa kuti
aifona ndiani kwakubva adaira.

End of chapter 28
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti
CHAPTER 29

Linnet akaona pafoni pemurume wake pakanyorwa kuti


Darlington ndiye aifona.Akabva afunga kuti pamwe munhu
aishanda naGilbert sezvo zita rakadai aiwanzorinzwira
kuvarume.Akabva adaira foni iya asati atomboti halo
munhu aiva pafoni paya ndiye akabva amutangira
kutaura."Ko nhai daddy muchiri kupi? Chinguri ndabvira
ndakakumirirai asi maiguru Linne varikukusungirai play
here?" Akadaro Gladys achitonoza hake.Linnet akabva
angokata foni kwakubva aidzorera pacharger.Chiitiko ichi
chakaita kuti awane mhinduro yemibvunzo yaaizvinetsa
nguva yose yainge yachinja Gilbert.Ahana kuda kuita
dzungu akabva angodzikama hake achimirira kuti
chikirimbani chake chinyatsodhinguka.Gilbert paakabva
kunogeza akawana Linnet asisanyatsofara,ahana kuita
hanya nazvo hake.Akabva angochinja nekukurumidza
kwakubva atobuda.Achingobuda chete, Linnet akabva
atevera kumashure,ahana kuonekwa hake sezvo kwaiva
kwasviba.

Gilbert aitokanda nhano hake asingambogaye kuti kunze


kunei.Zuva iri vaive vawirirana naGladys kuti
vazosangana kwa mai Kuda.Gladys aiva atosvikako kare
atomirira Gilbert.Baba Kuda hapana chavaiziva
nezvekudanana kwatsano vavo neshamwari yemudzimai
wavo sezvo nguva zhinji vaienda kunze nebasa.Nyaya
yacho vaingoita yekunzwa ichitaurwa nevanhu
mumakuhwa asi vaisazviteerera sezvo vaisava munhu
wenyaya.Pane shamwari yavo yakabva yavatipa kuti
vanhu ava vaiwanzouya kana ivo vachinge vabuda
nebasa.Vakabva vafunga zano raizoita kuti vabate
chokwadi.Musi uyu vakabva vabuda kuseni vachiti
varikuenda kunoshandira kuChegutu vachadzoka
mangwana.Izvi zvakaita kuti mai Kuda vafonere muroora
wavo mudiki uyu vachimuti auye kuzovaona sezvo kiti
yanga yabuda.Ko munongozivawo wani kuti kana kiti isipo
makonzo anoreba miswe nekufarisa.

Linnet akaona murume wake achienda nenzira yainanga


kwatete vake mai Kuda kwakubva afunga zvekudzokera
kumba.Imwe pfungwa yakamurambidza achibva aramba
achitevera kusvika vapinda pamba paya.Gilbert
akasvikopinda mumba Linnet kwakunomira padoor
akanyatsorebesa nzeve dzake achida kunzwa."Titambire
mudiwa ndanga ndaneta nekukumiririra" akadaro Gladys
achinombundira Gilbert.Vakabva vakwazisana vese mai
Kuda vachibva vati "ko litre rangu recoca cola riripi ko
nhai vahanzvadzi" ,Gilbert akatanga amboseka kwakubva
aburitsa $2 kwakubva apa hanzvadzi yake.Mai Kuda
vakabva vati "ko nhaimi ko zvadzatove 3months musiri
kana kumbopfira pfira kana kurutsa asi hamusi kugona
basa kani?" Vakabvunza mai Kuda vachiseka.Gilbert
ndiye akabva adaira sezvo Gladys aingonyemwerera
"musatye henyu atete zvinoita manje manje" akadaro
Gilbert.Mai Kuda vakabva vati "kubva zvakanaka mototi
kasikei tikuda kamuzukuru isu, chiregai ndimbosvika
pamashops apo nditsvage drink rangu mosara
muchimbowana nguva yekusasana henyu" vakaseka
vachibva vabuda.Linnet aiva akateerera zvese zvaitaurwa
mumba umu akangomira padoor ipapo.Paakanzwa mai
Kuda vachitaura zvekubuda haana kumbobva akabva
atoramba akamira ipapo akapeta maoko.

Mai Kuda vakati vachingovhura door ndiye dhuma dhuma


naLinnet.Vakabva vangoramba vakasticker varipo ipapo
vachiita kunge munhu aona chipoko.Linnet ahana
chaakataura kwavari akangovasandudzira vakawira
kwakadaro uko achibva apinda mumba imomo.Akawana
murume wake achiita kudyanana muromo nasahwira
watete vake.Veduwee pamamiriro ezvinhu akadai kana
simba rekuchema unorishaiwa.Akamboita chinguva
akanyarara akavatarisa apererwa kwakubva simba rake
razodzoka manje.Akabva angonanga paiva naGladys
agomurova zvisingaite.Mai Kuda vakapinda mumba
vachida kuedza kununura asahwira wavo vagobatwawo
vakarohwawo.Gilbert aiziva kuti kana zvaLinnet zvichinge
zvamubata zvinoita kumuwisira pasi, akabva angobuda
panze achimhanya.

Akati achisvika pagedhi ndiye dhuma dhuma nababa


Kuda.Ahana kutaura navo akabva angoita chitsoka
ndibereke akananga kumba kwaairojera Gladys.Baba
Kuda vakasvika mumba mavo ndokuona musina kumira
mushe.Adzimai vavo vainge vakagarirwa nemuroora wavo
nekusimba kwainge kwakaita Linnet.Aiti akarova mai
Kuda ombovasiya orova Gladys.Baba Kuda vakatozomira
mira semurume vachibva vabata ambuya vavo.Gladys
akabva abudawo achitiza mai Kuda vakasara vachiita
kupindwa nechando vachishaya kuti murume wavo
vanomuudza vachiti chii.Linnet akabva agara pasi
kwakutanga kuchema.
End of chapter 29

Thank u all for ur support pliz note kuti handichape


machapters inbox saka joinai magroups ebhuku iri inbox
pa0777861191 ndokupinzai
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 30

"Mai Kuda ndati chii chikuitika muno?" Vakadaro baba


Kuda nezwi riripamusoro,"ah! Madzoka nguvai ko nhai
baba Kuda" vakadaro mai Kuda nezwi raive pasi.Baba
Kuda vakabva vaita kuviruka nehasha kwakubva vatanga
kupopota,"usandibvunze zvekupenga ndiwe
wambondituma kuenda kubasa kwacho here hee? Izvezvi
ndanga ndakatotsamwira shamwari dzangu ndichifunga
kuti dzinokunyepera padzinondiudza kuti unosara uchiita
chihure mese nehanzvadzi yako pano.Uri mukadzi rudziiko
iwe kuputsa imba yemuroora wako mukadziwo anenge iwe
nekuda kwelitre recoca cola nezvifrimax zvaurikudya
stereki mazuvano sezvinonzi handikupe mari." Vakavava
baba Kuda kusvika vaneta,mai Kuda vakangoti undundu
kunge huku yanaiwa.Vakabva vabuda panze
vachinofonera tete vemudzimai wavo.

Linnet akabva asimukawo paainge akagara kwakubva ati


"mafara ka mai Kuda,chisarai mugarike nemuroora wenyu
wamakasarudza ini handigarire mahumbwe akadai
handina kusiya ndapisa musha ini. Gilbert haasiriye gotwe
renyika tichaona kwazvichasvika."Mai akuda havana
kudaira,Linnet akabva angobuda hake kwakubva
aenda.Akasvika Gilbert asiko kwakubva angorongedza
twake kwakubva arara hake achimirira kuti kuedze anange
hake kumusha kwake.Pasinawo nguva tete vamai Kuda
vakabva vasvikawo kwamai Kuda sezvo vaive
vashevedzwa nababa Kuda.

"Ko kwakanaka here kwamandishevedza husiku huno pane


arwara here?" Vakabvunza tete vaya vachitogara
pasi.Baba Kuda havana kupedza nguva vakabva
vangorudunura nyaya yese.Mushure mezvo tete vakabva
vati "nyaya ndainzwa saka manga mafunga kuitei?"
,"ndanga ndafunga kuti mumboenda nemuzukuru wenyu
munombomuraira nekuti chasara kunzwa anosangana
nechikomba chake kwatsano nekuti kana ivo tsano
vachikwanisa kuuya negerofriend yavo pano chii
chinovatadzisa kuendawo nechikomba chavo ikoko"
vakadaro baba Kuda.
"Eh! Mai Kuda ndofunga wazvinzwa zvataurwa nemurume
wako chirongedza tiende" vakadaro tete.Mai Kuda
vakasimuka kwakubva varongedza twavo kwakubva
vatopinda munzira vonanga kuBudiriro uko kwaigara tete
vavo.Vakasvikako nguva dzatoenda kwakubva vasvikodya
nekurara.Kuda aiva atova ne13 years saka akasara
nababa vake.Mai Kuda vakangotakura Kudzie
mwanasikana wavo uyo aive atova ne8years.

Gilbert na Gladys vainge vatochatiswa havo vatova


munyika yavo vega."Nhai Gibi saka nhasi uchadzokera
here kuna Linnet?" Akabvunza Gladys akarara pachipfuva
cha Gilbert,"Ko ndichaenda kunoitei hangu izvozvo zvava
pachena semhanza yasabhuku hanti Linnet ava kutozviziva
kuti kuna mainini" akapindura Gilbert achitova tova
maronda aGladys aainge apihwa naLinnet.Gladys
paakanzwa izvi akabva angosekerera mumoyo make muine
mufaro sezvo aifara kuti zvechihwande hwande zvaiva
zvapera.Linnet wo aiva akatorara hake hope dzeumambo
apo pakarira alarm yake yekunze koedza yaaive
aisa.Akabva amuka kwakugadzirira kwakubva apinda
munzira onange ikweyo.Akaenda hake ega sezvo mwana
wake aigara naamwene vake kumusha kwmurume wake.

End of chapter 30

Kune vanoda kutaura neni inbox pliz musauye after 19:00


ndonguva dzangu dzekumbozororawo nekuverengawo
[2/13, 13:49] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti
CHAPTER 31

Beauty na Leti vaive mubhazi iro raienda kwaMutare


vachiseka havo nyaya dzavaitaura sezvo vainge
vonzwanana chaizvo apo pakasvika mumwe murume
wechidiki achisekerera achibva agara nechepadivi
pavo."Hesi kani Beauty oh! Very sorry makadii henyu mai
Rudhaka" akadaro murume uya achibva aseka ,Beauty
akatanga asekawo kwakubva azoti "hesi Kevy ko uchiri
munhu wemafunnies nanhasi" akadaro Beauty achibva
aseka zvakare.Vakambotaura nyaya vachibvunzana
hupenyu Leti akangonyarara hake akatarisa, ko dzungu
aive asisina zve raiva ratama kubva
paari.Vakatozonyarara Leti akosora nhema ndipo Beauty
paakazoti "sorry henyu tete ndanga ndavakutokanganwa
kukuzivisai, uyu anonzi Kelvin Chenge takakura tese
tikadzidza tese kubva kuprimary kusvika kusecondary
takazoparadzana pakuenda kucollege.Kevy ava nditete
vangu hanzvadzi yaBruce" akadaro Beauty."ndafara
kukuzivai" vakadaro Leti na Kelvin panguva imwe chete
vachikwazisana.Vakamboita nguva vakabatana maoko
kusvikira Beauty azogadzirisa pahuro ndopavakazoita
zvekakuvhunduka vakaregedzana.

Beauty akazviona hake kuti hana dzevaviri ava dzaive


dzaroverana.Akabva atofunga kuti aizoronga kuti vaviri
ava vadanane sezvo Kelvin aiva munhu ane hunhu uye
moyo wakanaka zvikuru uye Leti aiva atochinja hunhu
nemazuva mashoma iwayo aakagara nemhuri
yekwaDube.Kelvin akazotora vana vaBeauty kwakubva
atanga kutamba navo hake sezvo aiva munhu anofarirwa
nevana nekuti aigonawo kutamba navo zvakanaka.Leti
aiva angonyarara zvino achinyara, achingotarisa Kelvin
zvekubira bira.Iye Kelvin aiva adawo musikana uyu ko
zvaimboratidzika here kuti Leti aimbova nemurume,aitoita
kunge kamwana kechikoro chaiko.Iyo Harare yaaichemera
yainge yakamubvuma.Kelvin akazoburukira maRusape
sezvo kuriko kumusha kwavo kwaigara vabereki
vake.Akasiya apa Beauty number dzake kwakubva atorawo
dzaBeauty.Akavimbisa kuti aizomufonera.
Pavakaburuka bhazi mutown yemaMutare vakabva
vakwira mota dzainovasvitsa pamusha pavo.Pana Beauty
na Leti hapana ainge azivisa chero ani zvake kuti
varikuuya kumusha.Kelvin akabva atoisa message
pawhatsapp iyo yaiva yakanzi "vatete vako ndavada
haungandirongerewo here ndivakande pakitchen ndakuda
zvekuroora ini ndakurawo." Beauty akasekerera chaizvo
achifara kuti zvaanga achida zvaiva zvaita."Masekeiko
nhai mai 2 kubva manyemwerera kusvika nekunzeve kwese
uko" akabvunza Leti achiseka.Beauty haana
chaakapindura akabva angotambidza Leti foni achida kuti
azvionere ega."Haiwawo! ngaandikwanire" akadaro Leti
achinyemwerera.Kwaingova kuramba kwebhaizi chete asi
munhu uyu ainge atomudawo.Beauty akabva apa Kelvin
number dzaLeti kwakubva anyarara hake akadaro achida
kusiya vaviri ava kuti vapedzerane.
Masibanda vaive vakagara havo paverandah nemurume
wavo apo vakaona mota ichimira pagedhi
pavo.Vakamboedza kufunga kuti angava ani asi vakatadza
kuziva sezvo mota yacho yaiva ine mahwindo asingaonese
zvirimukati.Pfungwa dzavo dzakamboti kuti ndiBruce asi
vakazviramba sezvo Bruce aiva abvako nezuro
wacho.Pavainguno pishana nepfungwa dzavo
ndopavakaona Leti achiburuka mumota akabata mwana
neumwe mukadzi wavaifananidza vachishaya kuti ndiani
achiburukawo akabatawo mwana.Pavakazopinda mugedhi
ndopavakazonyatsoona kuti ndiBeauty ko vainge
vachambomuziva here nekutsvukirira pamwe nekusimba
kwaaive aita.

Vakabva vangokanda muboora wavaifurura kwakadaro


uko vachibva vamhanya kunombundira muroora
wavo.Vakabva vatanga kuchema kunge vafirwa izvo
zvakaita kuti Beauty ayeredzewo musodzi.Vakazomurega
pava paya kwakubva vatakura vazukuru vavo vese
vachienda mumba.VaRudhaka ndivo vakazobatsirana
nemukomana wavo wemombe kutakura zvinhu zvaiva
zvauya nana Beauty vachizvipinza mumba sezvo vaiva
varamba kuti ana Beauty vatakure.Beauty akabva
abhadhara muridzi wemota iye achibva aenda
hake.Vakakwazisana nemufaro chaiwo Masibanda
vachibva vatomhanya mhanya kuuraira muroora wavo
huku.VaRudhaka vakabva vatoudza mukomana uya kuti
agozouraya iri mbudzi chaiyo.

End of chapter 31

Thank u all for ur support* vanoda kutaura neni inbox pliz


do so before 19:00 chete ukazonditaudza after nguva iyoyo
ndika ignore haikona kuzoti ndiri rough
[2/15, 18:00] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA

B.L.Bisenti

CHAPTER 32

"Saka nhai maiguru ko mukoma Bruce mukufungei


nezvavo?" Akabvunza Leti yava nguva yekurara sezvo
akarara muroom imwe chete na Beauty achiitira kuti
azobatsirawo muroora wake kurera vana.Beauty
akamboita chinguva akanyarara kwakubva azoti
"ndingagofungei hangu" ,"saka hamuchada murume
zvachose here nhai Mancube muregerereiwo anozviziva
kuti akatadza uye ari kuda kugadzirisa zvitadzo zvake
ingomupaiwo mumwe mukana" akadaro Leti."Kuregerera
ndakamuregerera kare hangu kana Mwari vachikwanisa
kundiregererawo ini ndini aniwo hake ndingatadzewo, asi
kana zviri zvekudzokererana ndichafunga nezvazvo
parizvino kwete ndoda kumbozorodza moyo wangu“
akapindura Beauty.Leti haana kuzoenderera mberi
nenyaya iyi sezvo foni yake yakabva yarira.

Akatarisa achishmisika kuti ndiani aifona sezvo


aisawanzofonerwa husiku hwakadaro.Akabva aona
nhamba dzacho dzisina zita kwakubva adaira."eh! Halo
sorry nekufona nguva dzino hope dzaramba kubata ndisina
kutaura newe saka ndanga ndichingoda kukuti urare bho"
akadaro munhu aiva pafoni uya hazvina kumbotorera Leti
nguva yekuti azive kuti ndiani sezvo izwi uye matauriro
aKelvin aiva asina kubuda mupfungwa dzake.Akabva
angoti "hoo maita basa nemiwo murare zvakanaka"
akadaro achinyara nyara hake Leti achibva akata
foni.Akabva apinda mumagumbeze kwakubva afuga
musoro sezvo ainyara kuzobvunzwa tumibvunzo
naBeauty.Beauty akangosekera mumoyo hake sezvo aiva
anzwa zvataurika pafoni.Haana kudawo kubvunza
twakawanda sezvo aiva atoona kuti vatete vake ava
vaisada zvekubvunzwa.Akazongoti nechemumoyo
"panopera vhiki rese randichagara pano ndiri paoff yangu
yekubasa vanhu ava vanenge vadanana chete" kwakubva
ararawo.

Beauty akagara zvakanaka chaizvo pamusha pava amwene


vake ava vekumbomuitira mashura
nezviratidzo.Masibanda vaya manga muchambovaziva
here, vaiva votoita sezvinonzi Tanatswa na Taropafadzwa
vana vavo nemurume wavo ivo vari vazukuru.Vaiti
vakambobereka mumwe,umwe otakurwa navaRudhaka
vachichinjana zvichingodaro.Beauty aiva ava kutosuwawo
kutakura nekubereka vana vake sezvo aingovapihwa kana
vakuda kuyamwa chete.Basa aiva ava kusaita oga,
aibatsirwa basa rese naLeti.Aitombopota achirambidza
tete vake ava kumubatsira basa asi ivo vaingoita chete
zvenharo.Ko husimbe hwese hwaiva hwapera zve,
nyangwe pakubika chaipo ainge otogona kukanga
kupfuura Getty chaiye.Beauty aiva chikomborero kuna
Leti, akaita kuti Leti achinje ave nehunhu
hwakanaka.Aitaura naye semunin'ina wake achimuonesa
kukosha kwekuitira vamwe zvakanaka.

Mumwe musi ,Masibanda naLeti vaiva vakamira panze


padara rendiro apo paisukira Leti ndiro dzavaive vabva
kudyira kudya kwemakuseni.Beauty aive aenda kunogeza
saka Masibanda vakatora mukana uyu kuti vabvunze Leti
nezvekudzokererana kwaBeauty na Bruce.Ko ndowaitove
mukana wacho zve sezvo Leti aiva asisayine nemuroora
wake Beauty ndiye aiva atova shamwari yake
yepamoyo.Leti akaudzawo mai vake zvaiva zvataurwa
nemuroora wavo maererano nenyaya yaBruce.Masibanda
vakabva vati "hazvinetsi izvo kana akamuregerera kureva
kuti achirikumuda.Ndichafonera Bruce auye kuno ndiwo
mukana wekuti vataurirane uno nekuti nyaya dzavo ndivo
vega vanokwanisa kudzipedza vari vaviri nekuti dzevaviri
hadzipindirwe."
Masibanda vakabva vatofonera Bruce ipapo ipapo sezvo
vaisada kuzonzwika naBeauty.Bruce akabva avavimbisa
kuti aizokumbira off kubasa opinda munzira mangwana
chaiwo.Vachangokata foni yavo vakabva vaona mukadzi
mukobvu achipinda pagedhi akaremerwa.Havana
kukwanisa kuona kuti ndiani sezvo munhu wacho aiva
akavharwa kumeso nezichangani raaive akatsiga.Vakabva
vamirira kuti asvike pavari.Mukadzi uya paakasvika
pavaive akabva aturunura mukwende wake ndipo
pavakaona kuti ndi.......

End of chapter 32
[2/17, 18:26] Sasha banks: *AMWENE NE MUROORA*
*B.L.BISENTI

_CHAPTER_33

Masibanda vakaramba vakangoshama muromo wavo kuita


seuchapindwa nenhunzi vakatarisa mwanasikana wavo
Linnet aiva auya akeremerwa nezvinhu zvake.Zvaitova
pachena kuti ainge adzoka kuzogara pamba pevabereki
vake nekuti kana kurikuvhakacha Linnet aiwanzouya
nekamornach kadiki chete.Zvino apa aiva nezichangani
bhegi rihombe nezimornach rihombe hombe rekupedzisira
pakukura riya nebhegi rake remumaoko rihombe
zvakare.Akabva atanga kutaura ariye sezvo Leti namai
vake vaive vachakangomutarisa."Ko hamutambire vaenzi
here" akadaro Linnet achitonogara paverandah,"hezvo
kwakanakasu kwawabva waita kuuya nemabhegi aya ende
ndangandatokushaiwa kaini nekudzikira kwawaita uko"
vakapindura Masibanda vachigarawo padivi
paLinnet."Nhai amai saka ndozvakutadzisai kundigashira
nemufaro sezvamunosiita pese pandinouya
pano.Makutotanga kubvunza mibvunzo hobho tisati
tatombokwazisana" akadaro Linnet.Vakabva vakwazisana
havo Leti achitoenderera mberi nekusuka ndiro achiita
seaisaona Linnet, kana kumumhoresa chaiko haana.

"Ana Leti ndimi matova vanhu vakuru zve munomirira


kumhoreswa nemadzikoma.Do takura zvinhu zvangu uise
muroom iya yaBruce isingararwe ugondivigirawo mvura
yekunwa" akadaro hake Linnet achiudza Leti.Leti akabva
angoridza zitsamwa kwakubva apinda mumba
achinotarisa vana avo vainge vachakarara.Masibanda
havana kuda kupindira nyaya dzevana vavo vakabva
vachinja nyaya."Linnet mwanangu chindiudza kuti
kwakanaka here kudhorobha kwavabva",Linnet akabva
audza mai vake zvese zvaiva zvaitika misodzi
ichingokwikwidzana pamatama ake.Leti aiva akateerera
zvese zvaitaurwa arimumba.Masibanda vakarwadziwa
chaizvo nezvainge zvoitika kuvana vavo.Vese vaive
vadzoka pamba kusara kwedangwe ravo Locadia
chete.Vakabva vangoti "hazvina kuipa mwanangu
unongogarawo pano uchidya zvatinongodyawo pamusha
pako pano."

Beauty akapedza kugeza achibva abuda hake muchinjausi


chavaigezera.Paaiva akuda kunopinda mumba akabva
aona tete vake Linnet na amwene vake vakagara
vese.Akabva avamhoresawo zvinetsika uye rukudzo.Linnet
akatanga ambotarisa Beauty kubva kumusoro kusvika
kutsoka kwakubva adaira hake kunge asirikuda
achingoitira kuti zvimubve.Beauty haana kuita hanya
nazvo hake ko aiva atova nhinhi zve pakudzikisirwa
nehama dzemurume wake.Akabva apinda mumba
kwakubva anochinja pamwe nekuyamwisa vana vake avo
vaiva vamuka.Aitaura hake nyaya naLeti vachiseka
zvaivharira imba yese izvo zvakabhowa Linnet.Leti akabva
atora matwins kwakubva anovapa amai vake.Linnet
akarambay kubata kana kuona vana vaBeauty nekuda
kwegodo raiva ramugara pamoyo chaipo.

VaRudhaka vakazouya zuva roda kupinda muna mai


varo.Vakabva vapirwa nyaya yaLinnet naadzimai
vavo.Havana zvavakataura havo vakangodzungudza
musoro wavo.Nezuva rimwe chete iroro rainge rasvika
Linnet aiva atotanga kucommander Beauty achiita
sezvinonzi aiva muranda wake."Eh! Mancube hove
dzawabika idzi wadziwanza munyu uye sadza ramandiisira
rishoma" akadaro Linnet vakagara muimba yekubikira
vachidya kudya kwemanheru ,"wadii kubika uriwe? Idya
wakanyarara apa kwete kuita sezvinonzi Mancube wacho
ane degree rehotel and catering hakusi kuMufakose ka
kuno kwawaigarira size 3 yebhodha uriwega" akapindura
hake Leti achitogeza maoko ake kwakubva ati "maita basa
taguta" kuna Beauty."Ko iwe unomupindurira ndiwe une
muromo wake here?" Akabvunza Linnet aita kusimuka
zvino akabata muchiuno.Leti wacho aive wesewo akabva
asimukawo akabata muchiuno kwakubva ati "Linnet ka dai
wanga uchiziva kuti ndakakutsamwira sei dai wanyarara
hako nekuti wakandibata sechikorobho chaicho ndauya
kumba kwako chiona manje tangofanana" akadaro Leti
nezwi raiva pamusoro achibva abuda hake.

Beauty akabva asara achirongedza ndiro."Iwewe ndiwe


ukuita basa rekufurira munin'ina wangu uri mharadzi
yemunhu muroyi chaiye" akadaro Linnet ava kupedzera
shungu pana Beauty.Beauty akabva amusiya achipopota
paakanyanyara kwakubva ati "mapedza here?".Linnet
akabva aramba akanyarara achiita kufemeruka
nehasha.Beauty akabva aenderera mberi achiti "masamba
asiyana vatete, parizvino handisi muroora wenyu saka
musandiitire dzungu henyu.Kunyarara hakusi kupusa kana
kukutyai kwete, kutokunyarai nekukuremekedzai semunhu
aimbovawo muroora nehukama nemi.Dai muri mumwe
matondibata bho nekuti nditoriwo muenzi pano uye tese
tiri mareturn soldiers pano ini nditori nani nekuti ndiri
retired soldier saka chitombopfavai nekuti tsitsi dzangu
ndodzakandituma pano kuzoratidza vabereki venyu
vazukuru vavo kwete imi." Naiwawo mashoko aiva apedza
hake muera soko kwakubva atakurana nevana vake
ndokuenda kunorara.

End of chapter 33

*AMWENE NE MUROORA*

*B.L.BISENTI*

_CHAPTER 34_

"Nhai muzukuru, ko murume wako zvaakanditi achauya


kuzokutora mushure mevhiki mbiri chete ko zvino
zvawatova mwedzi uzere asina kuuya pano kana kufona
chaiko" vakadaro tete va mai Kuda vagere pasi pemuti
nemuzukuru wavo.Mai Kuda vakamboita chinguva
vakanyarara kwakubva vazoti "handichaziviwo kuti chii ini
tete, ndikavafonera foni yavo haisikupinda","hazvinetsi
muzukuru rongedza zvinhu zvako tiendeko izvezvi nekuti
zvekugarira guyo kunge imbwa bodo.Chibva wadzidzawo
mwana wehanzvadzi yangu ,wakabatsira Gilbert kuita
misikanzwa yake chiona iye zvino arikutofairwa hake
nehupenyu hwake atokanganwa kuti ndiye akakupinza
mutsekwende." Mai Kuda vakanyatsoteerera mashoko
avaive varairwa natete vavo.Vakabva vaenda
kunorongedza kwakubva vapinda munzira vari vese
vakananga kuMufakose.

Nenguva diki vaiva vatoburuka kombi sezvo paiva


padhuze.Mai Kuda vaiva nechokwadi chekuti vachawana
baba Kuda varipo sezvo waiva musi wemugovera uye musi
uyu vaisaenda kubasa.Vakasvika pamba paya vakawana
pakanyarara zvokuratidza kuti paisava nemunhu.Vakabva
vananga padoor ravo kwakubva vavhura sezvo vaivawo
neavo makey.Vakashamisika kuona mumba maisishaya
pekufema nekuda kwemidziyo yakawanda yaivamo mava
dongo.Vakabva vagara pasi vapererwa.Tete vavo ndivo
vakazononga bepa raiva nechepakati peroom iyi iro
raitidza kuti yaiva tsamba.

'Kuna mai Kuda

Chekutanga ndinoda kukutenda chaizvo nekuita


musikanzwa waukaita nehanzvadzi
yako.Ndakazviwanirawo kangu kamuyellowbone kakati
kuuya aka,nguva yese ndaitoshaya kuti ndokuramba sei
saka wakaita basa wakandipa mukana wacho.Ndinovimba
kuti pauchaverenga tsamba ino ndinenge ndatova kujoni
chaiko.Kuda ndakamuendesa kumusha kuvabereki vangu
saka kana waona tsamba ino woendesawo hanzvadzi yake
ikoko nekuti ndokwandichange ndichitumira mari.Usare
zvakanaka ndini ex wako
Baba Kuda' Mashoko aya akaita kunge chibhagera
chepachipfuva chaicho kuna mai Kuda.Vakabva
vaikwetsura mhere kunge pafiwa.

Tete vavo vakatozoshinga kuvanyaradza nemashoko ekuti


"hakusiko kuguma kwehupenyu muzukuru chisimuka
tiende ndinokuchengeta ini usatya." Tete ava vaiva vasina
mwana pakukura kwavo kwese.Vaiva vakamboroorwa
kaviri kese vachingosiwa nevarume nepamusaka
pekusazvara saka vakabva vangozvigarirawo vari
single.Vaitona pamwe nekubata mai Kuda kunge mwana
wavo chaiye.Vakarwadziwa chaizvo nedambudziko raiva
rawira muzukuru wavo.

Mai Kuda vakazosimuka shungu dzapera kwakubva


vatakurana nebhegi ravo kwakubva vabuda vodzokera
kwavainge vabva.Vakabva vafunga zvekupfuura vachiona
Gilbert na Gladys sezvo vaiva vasina kuzomboonana
kubva pavakarohwa naLinnet paya.Vakasvika pavaigara
vachibva vawana Gladys akatogara hake paverandah
achinwa drink ne nyama yakagochwa.Mai Kuda
vaitarisirawo kutambirwa nemufaro nasahwira wavo uyu
asi zvakaona, zvakavatemesa makumbo musoro
wakanyarara.Gladys haana kana kuvapa pekugara kana
kupindura chaiko aingoita kuti zvimubve.Apa kadumbu
kaiva koratidza kuti kakasenga.Ana mai Kuda vakabva
vaoneka havo ndokuenda vatoona kuti pavaiva
paisagarika apa Gilbert aisavapo ainzi aenda kubasa.

End of chapter 34

Pliz ndakati musandikumbira machapters inbox uye kana


muchida kuiswa mugrp ingotaurai zvamunenge mafambira
kwete kusweroti pamusasa pamunhondo.Inbox before
19:00 only

thanx for your support book richaperera pa35 final


chapter wednesd
*AMWENE NE MUROORA*

*B.L.BISENTI*

*FINAL CHAPTER*

_CHAPTER 35_

Beauty na Leti vaibva kurwizi kunowacha apo pavakaona


mota yakamira mukati megedhi repamusha
pavo.Pavakaona mota iyi vakabva vaziva kuti Bruce aiva
asvika sezvo mota yake vaiiziva.Chakashamisa Beauty
ndechekuti Bruce aiva audzwa nani kuti aiva kuno sezvo
paiva pasina munhu waakanzwa achitaura naye
nezvazvo.Vakabva vasvikopinda mumba umo maiva
makagara Bruce nevabereki vake.Beauty akakwazisa
munhu wese aiva umu kusarwa kwaBruce chete.Bruce
ndiye akatozomutanga iye achibva angodairira pasi.

Vanhu vakazotandadzana vachitaura nyaya kusvika


vaende kunorara Beauty akazvivharira muroom make
chete.Kana panguva yekudya chaiyo haana kubuda.Linnet
ndiye akabika sezvo mazuva aya vaiva voita zvemajana
ekubika.Kubva musi waakapindurwa naBeauty aiva
asisaiti zvedzungu.Leti akatora chikafu kwakubva
aendesera Beauty.

Akasvikowana Beauty akagara pasi chaipo hembe yake


yatota nemisodzi."Ko nhai makoti ukuchemei ko inga
wanga uchimbofara wani" akabvunza Leti, Beauty
akatanga ambotura befu kwakubva ati "tete, pese
pandoona hanzvadzi yenyu ndinorwadziwa chaizvo
kutonzwa bayo pamoyo chaipo nekuti ndinofunga
zvaakambondiita"."Manje munosvikepi muchidaro nhai
maiguru ndopakuzonzwa kuti munhu mutano kunge imi
angodona nebp nekuti munenge makazviremedza muhana
menyu.Chinyararai zvinopfuura hanty ka,chidyai sadza iri
vana vazowana mukaka" akadaro Leti achiedza
kunyengerera muroora wake.Beauty
akazongozvimanikidza kudya kwakubva arara.

Musi uyu Leti haana kurara muroom imwe chete naBeauty


sezvo aiva arongana nehanzvadzi yake.Achangobva
kurara Beauty akanzwa door kuvhurwa asi akangofunga
kuti ndiLeti sezvo aisaziva kuti Leti haasi kurara umu musi
uyu.Beauty akabva amuka achida kubvunza Leti
nezvaKelvin.Achingoti baa chete akaona Bruce
akapfugama pamberi pake.Akabva apererwa nemashoko
kwakubva aramba akangomutarisa."Beauty
ndokumbirawo undiregererewo please! Ndokuda mukadzi
wangu ngatidzokererane" akadaro Bruce achinzwisa
tsitsi."Nekuti, ndane vana manje ndopawakuzofunga kuti
unoda kuregererwa neni? Wakandisema ukandidzinga
sembwa ukaona mumwe mukadzi arinani kupfuura ini
nhasi ndopawakuzoda nezvangu manje?" Akaimwaya
mibvunzo nhando mwana wemuera soko akapedzisira ava
kuchema.

Bruce akabva amumbundira kwakubva atanga


kumubhabhadzira kumusana.Nenguva isipi vaiva
vavakutopanana rudo.Ko vaigotadza nei ivo vaiva
vasuwana.Bruce akatozorara muroom umu kusvika
kuseni.Vese vakabva vanonoka kumuka mangwana acho
zvekuti pavakabuda mumba maziso evanhu vese aiva
pavari.Masibanda na Leti vaingokwenya mhuno
nekasiyanwa vachifara kuti zvavakaronga zvaiva
zvabudirira.Linnet wo aingoita yake ega asingambogaye
hake.
Musi uyu wakava musi wekufara pamwe nekupemberera
kudzokererana kwaBeauty na Bruce.Hama dzose
dzakakokwa pakaitwa mabiko.Vari pakati pekufara
pakabva pasvika sadombo waKelvin achizokumbirawo
roora.Masibanda vakachema nemufaro.Mwana wavo
ainge asiiwa nemurume ainge azowanawo umwe
zvakare.Leti akazobvisirwa pamwe nekuchata achibva
aperekwa ava kuenda kumba kwemurume wake uko
kwaakanoita muroora chaiye.Akazokomborerwawo
nemwanakomana.

Linnet haana kuzomboroorwa zvakare aingoita


zvekudanana nevarume vevanhu aripamba pevabereki
vake.Zvekuva muroora chaiye zvaiva
zvamunetsa.Masibanda vakachinjawo hunhu
hwavo.Ruvengo,hutsinye ne godo zvakabuda mumoyo
mavo.Vakaona kukosha kwekuwirirana pamwe nekubatana
mese semhuri.Ko mumhuri mukaitwa mazvake mazvake
anozomirawo nemutorwa ndiani? Kana maroorana
munenge mava nyama imwe zvichireva kuti amwene vako
vanenge vava amai vakowo uye muroora anenge avawo
mwana wako.

*End of series*

Ndinovimba mave muchinakidzwa chaizvo nebhuku iri l


hope richachinjawo some people mukurarama kwedu.

thnx for ur support

You might also like