Professional Documents
Culture Documents
Amwene - Nemuroora 1 4
Amwene - Nemuroora 1 4
AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti
CHAPTER 1
End of chapter 1
B.L.Bisenti
CHAPTER 2
End of chapter 2
B.L.Bisenti
CHAPTER 3
B.L.Bisenti
CHAPTER 4
End of chapter 4
AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti
CHAPTER 5
End of chapter 5
AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti
CHAPTER 6
End of chapter 6
B.L.Bisenti
CHAPTER 7
End of chapter 7
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti
CHAPTER 8
End of chapter 8
B.L.Bisenti
CHAPTER 9
"Aiwa doctor tangai nebad news" vakadaro vaDube baba
vaBeauty chiremba vachibva vati "ok then the bad news is
blood pressure yemwana wenyu iri very high zvekuti
aponeswa nekukasika kuunzwa pano orelse dai
tirikutotaura zvimwe and the good news is mwana ari
mudumbu make haana kupiswa nebp yacho izvo
zvashamisa nyangwe isu madoctor nekuti mwana
haawanzorarama pakadai." VaDube nemudzimai wavo
vakamboramba vakatarisana vachitaridza kushamisika
zvikuru nemashoko achiremba.Mai Dube
ndovakazovaganhura runyararo rwanga rwave muroom
umu voti "ma...matii nhai doctor,mimba chaiyo? Ine
mwedzi mingani" ,"ummmm asi hamusikuzviziva inga
yatova nemwedzi mitatu wani saka tototi makorokoto"
vakapindura chiremba.Mai Dube vakabva vatanga
kuyeredza misodzi ,chiremba havana kuzotaura
zvakawanda vakabva vavaperekedza kunoona Beauty
kuward yaainge ari.
"Mhamha, daddy ko ndirikupi" akabvunza Beauty
paakaona vabereki vake vachisvika paari.Mai vake
vakabva vasvikomumbundira kwakutanga kuchema vachiti
"why now sei Mwari vazokupa izvezvi nguva yese iyi
vakakunyima hihihihihi....dai wakakasika kuzviziva
mwanangu dai Bruce asina kumbotora mumwe mukadzi."
"Mu....mu....muri kutaura nezveiko nhai amai" akabvunza
Beauty avekuyeredzawo misodzi."Chirega kudaro nhai mai
mwana siya mwana ambopora mozotaurira kumba bp yake
inozokwira futi" vakadaro vaDube.Beauty akazorara
muchipatara kwakubva abuditswa hake.Paakaudzwa
nezvemimba yaaiva nayo akachema kunge munhu
afirwa.Mai vake vakamunyaradza pamwe chete
nekumusimbisa.Vakamudzidzisa kunamata uye kukosha
kwemunyengetero.Kubasa kwake akabva atopihwa
martenity leave yakabatanidzwa nesick leave yaainge
ambopihwa.
End of chapter 9
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti
CHAPTER
'Hie Chido wakazongoti zii zii nei ko mari yangu how far?
Pliz make sure kuti by the end of this week chaiye unenge
wandipa mari yangu orelse murume wako ndikumuudza
zvese uyezve zvekuti hauzvare nepamusaka pemimba zhinji
dzaukabvisa idzo dzakaremadza chibereko chako.Yours Dr
Nelson' ,aya ndiwo mashoko aive akanyorwa pamessage
yaive yapinda mufoni maChido.Bruce akapererwa asi
ahana kuda kuita dzungu rekubvunza Chido akafunga
zvekuita hake kunge munhu asina chaari kuziva kuitira
kuti agonyatsoirongera mbavha yake iyi.Chido paakaona
kuti mhuri yose ingangomupandukira akabva aisira Bruce
mupfuhwira uyo waainge akasopihwa kare na amai vake
paakaroorwa naBruce asi aive asati aushandisa sezvo
zvaive zvichirikumufambira.Akanyatsokanga hake
kwakubva aserver vanhu vese chikafu.Mupfuhwira uyu
waive waiswa muplate maBruce chete saka akanyatsodya
hake achinakirwa asingambogaye kuti kunze
kunei.Akarungwa hake mwanakomana waMasibanda
hurongwa hwese hwekuzofumura Chido mudondo.
End of chapter 10
B.L.Bisenti
CHAPTER 11
"Nyaya yenyu ndikuiziva madzimai asi pati omei manje
nekuti nyangwe mukabvisa kamuti kaya pasi pemubhedha
uye mwana wenyu anongoramba akadaro nekuti
waakashandisirwa nemudzimai wake waari kugara naye
uyu ndewe kuChipinge chaiko" vakadaro mbuya
Chamu."Saka manje ndoita sei zvazvaipa kudai"
vakabvunza Masibanda vachiratidza
kupererwa,"ingonamatai madzimai zvichapera"
vakapindura mbuya Chamu.Masibanda pavakaona kuti
munhu wavanga vachitemba naye akundikana vakabva
vadzokera havo kumba kwavo nechinamira chavo
Leti.Vachingosvika kumba vakabva vangonopinda
mumagumbeze chaimo masikati machena.
End of chapter 11
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti
CHAPTER 12
End of chapter 12
Ndozvariri bhuku racho huchi hwega hwega kkk.Pliz vasiri
mugrp rebook iri pindai mugozviwanira machapter acho
imomo kuinbox kwangu murikuwandisa
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti
CHAPTER 13
End of chapter 13
B.L.Bisenti
CHAPTER 14
End of chapter 14
Handei naro book
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti
CHAPTER 15
End of chapter 15
B.L.Bisenti
CHAPTER 16
Thank you
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti
CHAPTER 17
Tete vaBruce vakaombera vachibva vatanga nyaya yavo
"nyaya yatavinga pano ndeyekuti mwana wenyu Chido
akatinyepera kuti ane nhumbu, payainzi yava ne2months
akabva atenga chiremba uyu (vachinongedzera vaNelson)
kuti anyepe kuti pamuviri pacho pabva nepamusaka
pepoison iyo yaaiti aisirwa navahosi vake Beauty sezvo
ariye anga abika musi iwoyo izvo zvakakonzera kuti
Beauty adzingwe, zvizhinji chiregai ivo chiremba vacho
vapedzise vomene." VaNelson vakagadzirisa inzwi ravo
kwakubva vati "ndizvozvo chaizvo zvataurwa navatete ava,
mukadzi uyu akandipa $200 kuti ndinyepere murume wake
achida kuwana mabvisiro aangaite mukadzi wekutanga
pamba achiitira kuti agosara ariye oga
mukadzi.Chechipiri ndinoti iye mudzimai uyu ingomwa
kwete nekuda kwaiye Musiki asi nekuda kwe....." vakabva
vagamwa naChido uyo aive aita kusimuka ofemeruka
nehasha akaita kubata muchiuno.
End of chapter 17
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti
CHAPTER 18
End of chapter 18
CHAPTER19
End of chapter 19
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti
CHAPTER 20
End of chapter 20
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti
CHAPTER 21
Kutaurisa kwaSarah kwakaita kuti Leti amuvenge.Aive
ongoshuwira kuti amwene vake vapore vagodzokera havo
kumusha naivo tete vake vekutaurisa maningi.Leti aitoona
kuti kugara kwavo pamba ipapo kwaitozoita kuti vazive
kuti aiva munhu anehusimbe pamwe nehuchapa.Izvi
zvakaita kuti ambonyepedzera kuita munhu kwaye nekuti
aiziva kuti Trevor akangozviziva chete aizosiiwa
pachena.Kubika chaiko aive ombobikawo zve apo ne papo
asi zvaibikwa zvacho, shoko rekuti mbwizhu chairo
harikodzeri pakushevedza zvaibikwa na Leti.Aibika
tomonyongo chaiyo.Trevor semunhu aisada kubvunza
kukanganisa kwemudzimai wake pamberi pevanhu
aizomubvunza vava muimba yavo yokurara onyeperwa
kuti ndiGetty anenge abika.
B.L.Bisenti
CHAPTER 22
End of chapter 22
B.L.Bisenti
CHAPTER 23
B.L.Bisenti
CHAPTER 24
"Ah!....te...te...handizvo zvamurikufungira" akadaro
Linnet,"haiwa haikona kuda kuzvichenesa iwe mukadzi
waGilbert, zvakawanda zvaunotaura pamusoro pangu
zvichisvika munzeve dzangu ndisingambozviteerere asi
nhasi ndakubata ndega" vakadaro tete vaLinnet.Linnet
anga apusa zvino akayeva tete vake achifunga kuti
acharohwa.Tete vake vakabva vati "pano ndopagumira
hukama hwedu muroora nyangwe ndikafa usauye hako
kuzondichema ukangondichema chete ndichakunongedzera
pabody viewing" naiwawo mashoko vakabva vaenda havo
kumba kwavo."iwe mukadzi iwe ndogara ndichikutsiura
nenhau yako yemakuhwa chiona kwazvakusvitsa apa tete
vawaburana navo ava ndivo vega hanzvadzi yemurume
wako" akadaro mumwe mukadzi wechikuru aigara panext
pavo.Linnet akabva amuridzira zitsamwa kwakubva
apinda mumba.
End of chapter 24
CHAPTER 25
Nguva yese iyi Leti aive akayeva vaviri ava akapeta maoko
ake achiyeredza misodzi.Trevor akabva amutarisa
kwakubva ati "ko iwe uchakamirirei ipapo dzokera
kwawabva" ,"handina kwandoenda ini ndingatobva pano
ndavamubhokisi dai watondipa hako makey emota
yawanditengera iri panze apo" akadaro Leti
asingambogaye hake.Trevor akambotanga aseka
kwakubva azoti "waspoiler surprise yangu, mota iri panze
apo ndeyemudiwa wangu uyu achandikudzira dzinza
rangu kwete iwe." Getty akamboita kunge akanganisa
kunzwa kwakubva ajambira Trevor nemufaro zviya
zvekusvotesa Leti.Leti akamboita searikurota panguva
iyi.Trevor akabva ati "kana uchida kubva pano uri
chitunha hazvina kuipa mira ndifonere Sarah auye."
End of chapter 25
B.L.Bisenti
CHAPTER 26
"Ko huyai tinwe tea nhai mainini" vakadaro bamukuru
vaLeti uyo anga achangogara pasi,"imboitai henyu
handina kana appetite" akapindura Leti.Vakapedza kudya
Linnet akanyarara achibva arongedza ndiro.Mushure
mekanguva akabva ati "kwakanaka here nhai mainini
kwamabva maita kuuya nemikwende yese iyi?" Leti akabva
ayeredza misodzi kwakubva ati " zvakaoma sisi
ndarambwa naTrevor" ,"hezvo hanzi zvadiiko? Ndazviziva
ini kuti hakuna kumira mushe kwawabva" akadaro
Linnet."Ndasvika akarara nemusikana webasa uya
wandaiti anonzi Getty apa atova nenhumbu yake" akadaro
Leti.Linnet akabva ati "hoo inga zvakaoma saka manga
mafunga kudii nhai mainini?".Mubvunzo uyu wakarova
Leti kumeso sechibhagera sezvo aive asina
kuutarisira.Akabva angoti "ndatopererwa ini sisi
handichazivi kuti ndodii ndosaka ndauya pano."
Bamukuru vake vakabva vapinda muimba yekutandarira
iyi sezvo vanga vambobuda havo umu vachida kupa vana
vanyamunhu mukana wekutaura.Vakabva vati kuna Leti
"ndine hurombo mainini masvika ndakutobuda oyi mari iyi
mozotsvagawo drink." Leti akatenda bamukuru vachibva
vabuda havo.
Linnet akabva apinda mubedroom make kwakubva adzoka
akabata mari."o mari iyi shamwari wotokwira bhazi
remasikati woenda kumusha hazviiti kuti tigare newe
pano" akadaro Linnet achinyatsoratidza kuti
arikurevesa."ah! Nhai sisi moda kuti ndiende kunoita
chiseko chemusha here nhai" akadaro Leti arwadziwa
nemuitiro wasisi vake vaaivimba navo ava."Leti
ndirikukupa mari yebhazi iwe wotoda kushaina hako kana
usingaide rega woenda hako netsoka" akadaro Linnet
akupopota.Leti akabva angotambira mari iya kana maita
basa zvayo yakaramba kubuda mumuromo wake.Akabva
atakura mabhegi ake kwakubuda.Akatanga kufunga
mazuva aaiswera naLinnet achifurirwa kuti abate Getty
kunge chikorobho sezvo aive agere samambokadzi
akarwadziwa zvekuti akanzwa mabayo pachipfuva.Akabva
afunga zvekuenda kwanaLocadia ndipo paakarangarira
kuti sisi vake ava aive asisazive kwavanogara sezvo
kwaaiziva vaive vakatama kare.Veduwee kushaina
kunoparira shuwa ungatadze kuziva pamba panogara
mwana wamai vako? Ngatisavhaire tichidaro wozoda
kuyeuka bako iwe watonaiwa.Sezvo foni yake yaive nemari
yekufonesa,akabva afonera Loca achimubvunza
paanogara.Loca akabva angomuudza kuti anogara
muKambuzuma asi parizvino aive asipo aiva avhakacha
kumusha kwemurume wake.Zuva rakasvika pakuvira Leti
achingotatarika achishaya kwekuenda.Kuti aende
kwaBruce zvaisaita nekuti Bruce aive aperekedza baba
vavo kumusha sezvo Beauty aive achakangoomesa
musoro.Ndipo paakabva arangarira kuti muMufakose
makare ndimo maigara Beauty.Akambozeza pfungwa
yekuendako achibva azorovera moyo padombo sezvo aive
asisina kwekuenda iko kwaiva kwatosviba.
End of chapter 26
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti
CHAPTER 27
End of chapter 27
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti
CHAPTER 28
End of chapter 28
[2/11, 13:38] Sasha banks: AMWENE NE MUROORA
B.L.Bisenti
CHAPTER 29
B.L.Bisenti
CHAPTER 30
End of chapter 30
B.L.Bisenti
CHAPTER 31
End of chapter 31
B.L.Bisenti
CHAPTER 32
End of chapter 32
[2/17, 18:26] Sasha banks: *AMWENE NE MUROORA*
*B.L.BISENTI
_CHAPTER_33
End of chapter 33
*AMWENE NE MUROORA*
*B.L.BISENTI*
_CHAPTER 34_
End of chapter 34
*B.L.BISENTI*
*FINAL CHAPTER*
_CHAPTER 35_
*End of series*