You are on page 1of 435

MY

PERFECT
RIB
SEASON 3
Prisca Tini Ncube
Mai BJJ
+263772921995
CHAPTER 1
Dillan

Ndakakata phone yacho ini ndashaya kuti ndovati kudini. Vakabva vafona
vari ivo ndikadaira hana ichiita seichabamuka. Umwe moyo
wakambondiudza kuti siyana nazvo hameno ka feeling kandaingova nako so.

"Hello ndiyaniwo wandiri kutaura naye?"

Voice racho rairatidza kuva nyoro chose kungoti zvepafoni zvinogona kuva
deceiving.

"Hello makadii zvenyu mama. Handizivi kuti number yandapiwa ndiyo here.
Ndiri kudawo kutaura nevanonzi mai Richard Samuriwo."

"Ndini chaivo. Munogona kundidana henyu kuti mai Reginald. Ndiro randiri
comfortable naro."

"Ok zvakanakai mama. Ini ndinoitwa Dillan Mpofu. Ndakapiwa number


dzenyu nevanoitwa mukoma Zex vekumabhazi... "

"Hooo Zex rasta uyu? Mupenyu zvake? Ndava nenguva"

"Hongu mama pandakamuudza kuti ndoda kuzokuonayi akatoti


ndisamusiyawo"

2|My Pe rfec t R ib Se aso n 3 ( Mai BJJ) 0772921995


"Kwakanaka hako here mwanangu? Uye neni tinozivana here ndinenge
ndakoshiwa?"

"Tatozivana ipapa mama. Mungazivawo here vanoitwa Daniel Mpofu?"

"Wait a minute.. Mati munonzi ani?"

"Dillan Mpofu mama. Ndi...."

Yakakatiwa call ikadzoka yava video call chaiyo ndikadaira.

"Jesus Christ!!"

Vakabva vakata phone ndikatoziva zvaiitika. Ndakangonamata chete kuti


vasange vafenda havo confusing me of his late son Richard. Ko takanga
tisina kumbosiyanaka uye paphoto akanga akanyanya kufanana na Derrick
nekuti Derrick aifarira kuchengeta ndebvu dzichichekererwa zvakanaka.
Ndizvo chete vaingotisiyanisa otherwise we were identical twins. Ndakafona
zvakare vakadaira vachipfikura.

"Pose apa ndiri kuyedza kukanganwa mwana wangu asi it seems the
memories have come back kuita fresh chaiko."

"Sorry mama. Tinogona kuonana here. Munondiraira ndouya ikoko kwamuri.


Zvizhinji tozotaura ndauya ikoko pasiri pafoni. Ini ndiri mwana
wa....eh....wemunin'ina waDaniel Mpofu."

3|My Pe rfec t R ib Se aso n 3 ( Mai BJJ) 0772921995


Ndakakasira kufunga kuti ndikati ndiri mwana was Dhanyere inogona kufa
yakaloader nekuti pamwe vakanga vachiri bitter.

"Hook ndakambonzwa nezvake hanzi Douglas, asi handina kumbenge


ndasangana naye."

Vakamboti vanogona kuuya ivo asi ndakaona isiri good idea plus pane
zvandaida kutanga ndaziva vasati vauya kumba. Takazowiririna kuti ini
ndini ndaizoendako after two weeks. Apa weekend yacho yandaizoendako
kwainge kwasara 1 week kuti Christmas isvike. Pandakadzoka handina
wandakaudza nekuti ndaida kutanga ndanosangana navo.

Mapreparations ezuva ra 25 December were intensifying with each passing


day. Kunyangwe zvazvo mukwasha aisponser kese zvako munhu wese
akanga achifeela kuti raizova a day to remember raaida kusiyawo mark yake.
Munhu wese aitoita as if zuva racho rairongerwa iye nekuti waitoona kuti riri
pamoyo pemunhu wese. Derrick nemhuri yake vakati vaizoita fly in musi
wa 17 December. Ini musi wa 18 ndiwo wandakatenderana namai Reginald
kuti ndaizoendako. Saka ndakaona zvakanaka kuti tigozoenda tiri vaviri.
Week yandakataura namai Reginald ndiyo yandakaitirwa farewell party
kubasa resignation yangu yakanga yabudirira. Ndainyatsoona kusimuka
kwema business edu nekuti ndaizenge ndava in charge hands on and full
time. Taida kuzoti after function ya 25 December ndomboenda nemhuri
yangu ku South Africa kunoona hotel yedu. Akanga ava ku complainer
Derrick hanzi chiuyayi mutakure mutoro wenyu. He was right nekuti ivowo
zvakanga zvavawandira. He had his own businesses kozoita mashares aaiva
nawo kuna tezvara vake. Gules vaiva nemabusiness avakapiwa nababa vavo
asi ndakanzwa Derrick achiti zvose zvake nezvemudzimai vakaita joint
venture uye chose chaidana mazita avo vari vaviri. It was a good thing asi ini
hangu ndakanga ndiine muono uri different. Rimwe zuva takatozogara pasi
namai Fadzi tikataura nyaya yacho. Iye aiva nemuono waana Derrick asi ini
mine was different.

"Zvakanaka babe zvakaitwa nana baba Chichi asi ini ndanga ndiine mumwe
muono. Ndafunga kuti zvinhu tingosiya zvakadaro for example, this house is
in both names, yeku Lundi park iri muzita rako, mashops ose ari muzita rako ,

4|My Pe rfec t R ib Se aso n 3 ( Mai BJJ) 0772921995


car sale iri muzita rako, imba yekuHarare nestand yeku Hertfordshire iri
muzita rangu. Chine mazita edu tose ihotel yeku south Africa nemba ino
chete, nekuti Derrick wanted it to be that way. Pazvose zvatinazvo izvi
ndezvedu tose nevana vedu despite mazita aripo. Asi we will run all these
projects together."

Ndiwo maonero andakaita ini and Shumie haana kuramba hake akati zvose
zvakanga zvakangonaka. Ndizvo zvatakawirirana as a couple and tose
takagutsikana nazvo and we knew it will work for us.

Pane zvandaionawo muupenyu kuti pakaita kuti mumwe pavaviri atanga


kuenda kunashe, hama dzake dzikava neundyire dzinogona kupamba zvose
zvine zita rehama yavo. Ndakazviona ini vanhu vachisvitsana kumatare
edzimhosva vamwe kuurayana chaiko nekuda kwepfuma yemufi. Saka
ndakanga ndisingadi hangu kuti mhuri yangu igopindana nema hustles if
fighting court cases.

We admired kusimuka kwakaita Derrick and we knew kuti with hard work
and diligence taizosvika kure. Our main line of business was going to be
hospitality, so Shumie muna January aizotangawo kuita degree rake in
Travel, hospitality and tourism. Ini I specialized in accounting and business
management saka zvaitoti zvibude chete.

Mwana wedu aikura zvakanaka chose achiyevedza kani and akawedzera


rudo nemufaro mumba medu. Mai vake vakanga vapora havo asi kubasa
vakanga vasati vava kuenda. Takawirirana kuti vakanga vasisaendi kushop
full time asi kuti vaizongoendako here and there. Nguva shoma yaivapo
aifanira kuipa kumwana yakakwana nekuti January auzomusiya ava kuenda
kuchikoro. Zvairwadza asi ndizvo zvandakamuvimbisa kuti anozopedzisa
chikoro ava mudzimai wangu. Akadzidza zveshungu uye kutamburira ini
ndikazomugurisira dream yake zvakare ndava kumuroora. Mwana wedu
akanga avapo Daphne Fadzai Mpofu, our joy and our pride, beautiful and
quiet, she was just like her mom mukaradhi wedu, and I loved my wife even
more. She was brave, hardworking and dedicated to anything chaainge
azvipira kuita. She was always like that kubva pandakataga kumuziva. Musi
wa 25 December zuva guru ndiwo waikwanisa mwana wedu six weeks.
Vakanga vachiri havo Ku Lundi Park asi party yaizoitwa hayo vava kumba.

5|My Pe rfec t R ib Se aso n 3 ( Mai BJJ) 0772921995


My dad was a happy man status yaigara yakangorembera vazukuru.
Nyasha, Shammah, Shalom, Chichi, Chris Jnr, Dee na Dee, uye kamukaradhi
Fadzi Dee. Taivawanzira tichiti pachauya aiva mudumbu uyo vaizoramba
vachiisa here vana vevaroora nemukwasha.

Kubatana nekuwirirana nerudo zvaikura mumhuri medu with each day


that passed zvekuti tainyatsozvinzwa kuti nothing would separate us.
Mukwasha anga atora his rightful position chaiyo week yaisapera asina
kusvika kumba kunoona kuti vana mudhara vari seyi. Kubasa vaienda havo
dad semunhu asina kujaira kugara asi sevana nemukwasha takavati
vachirega havo zvekushanda it was our duty to take care of him. Ivo he had
worked hard vakaunganidza pfuma yaivachengeta kweupenyu hose even
after giving Shumie what belonged to her uye vatipawo our shares sevana.
Vakasarawo ne 15% pa partnership na Khumalo which meant thousands
flowing into his foreign bank account every month. Same na Shumie saka
pataienda Ku South Africa ndizvo zvimwe zvaaifanira kunogadzirisa
pataizoenda ku South Africa kuti ave ne foreign account maizopindira mari
yake. My wife was rich and this was just for a start. Her bank account was
loaded handiti bamnn vake pavakatora purazi nemusha he compensated her
with a handsome amount. Mashops aimupa mari svinu uye car sale dad
vakamudzosera iine mota kare hanzi just like mawaniro andakaiita. Ivo dad
vakasara ne car sale yekuKwekwe kwavaipota vachienda havo once or twice
a week. Lodge yekumvuma road vakangomupa yakadaro. Tichitarisa ini
what I owned was just a tiny fraction of what she had and akatomboyedza
kuti tibatanidze zvakaita vana Derrick asi ndakazviramba.

"Baba Fadzi ndinenge ndichingofeela kuti pane some sort of gap between us
kana zvichiita sekuti mumwe nemumwe ane zvake. We are now one saka
zvangu ndezvako. I don't feel comfortable kana zvakadai."

"Zvako ndezvangu hun, zvangu ndezvako, they are just names asina basa.
You shall understand why ndadaro one day. Iripo wani hotel ine mazita edu
tose."

Ndiko kuzobvumirana kwataita kuti pfuma yedu igare yakadaro. Musi wa 17


December ndakanotambira Derrick nemhuri yake Ku airport kuBulawayo.

6|My Pe rfec t R ib Se aso n 3 ( Mai BJJ) 0772921995


Dad vaida kuti azogara navo kuLundi ndikaramba. Ndaimudawo at our new
home. Saka mhuri yangu yakagara yauya kumba kuitira kuzogashira vayenzi.
Haana kuita hake zvekuperekwa zvakaitwa Daphne asi mama
vakangomuperekedza Musi wa 16 kuzimusiya kumba. Vana mama
vekuChivhu vakanga vasati vatomboonawo mwana vakanga vachinzi
vakaenda Ku South Africa saka vaitozomuona kekutanga pavaiuya pa
Christmas pavaiuya ku thanksgiving party vose natete mai Khumalo takanga
tapedzisira kuvaona pamuchato wedu chaipo.

Pakaita mufaro pandakasvika kumba na Derrick nemhuri yake. Vasingatani


kudonhedza misodzi madzimai edu akafarirana with tears of joy. Chichi anga
atoendwa naye nanyasha kuroom kwakanga kwagadzirirwa Fadzi. It was just
a big room yakazara ma toys chete uye ka coatbed. Takaita group hug and my
wife prayed.

"Heavenly father, in the name of Jesus, I want to thank you Lord, to give you
honour and praise for you are worthy of all. We are now one big and united
family because of you Lord, we have seen your love and your faithfulness.
Rudo urwu nemufaro uri pakati pedu mumhuri ino ngazvikure zvichienda
mberi. Give us the wisdom to face and conquer every challenge that might
come our way, every obstacle that might try to hinder our progress. Let good
health, divine protection and prosperity be our potion. In Jesus name I pray."

Vana vakauyiwa navo kubva upstairs kwavakanga vaendwa navo. Mai Tino
na Jane vakauyawo vakakwazisa vayenzi vakabuda vava kuenda ku kitchen.

"Ndiye here maid watakasiya aripo uyu kana kuti ndemumwe?"

Ndimai Chichi vaibvira Jane. Vakapotsa vazviramba vachiudzwa kuti ndiye.


Ko dhorobha rakanga ramumenyaka nekumuumba kuita chimhandara
chaicho. Ko nhamo inoviga zvakanaka pamunhu veduwee zvoita sekuti
hazvipo. All thanks to my wife akanga apinda pabasa guru chairo kudzidzisa
nekuvakiridza. She was gifted in that area mukadzi wangu. We introduced

7|My Pe rfec t R ib Se aso n 3 ( Mai BJJ) 0772921995


them to mai Titi zvakare our second maid.

"Uyu Jane takaitira kuti January adzokere kuchikoro agoitawo zviri nani
muupenyu achangonotangira paakasiira. Saka mai Titi ndivo vachange vava
full time pano vachigara ku cottage uko nemurume wavo uya momuziva aiva
gateman kumba kuLundi. Vana dad vakati havadi gateman."

"Kkkkk wakatogona ukati tiuye kuno they want their space those guys.
Vakanga...."

Madzimai edu akasimuka vakasiya tiine mombe dzedu. Ko ndakainzwawo


nemukwasha pakauya mapatya ake vaingogara vakaiswa pa status
pakanyorwa kuti "mombe dzangu".

Pakauya sazita wa madam vake zvakabva zvaiswa zvose zvimainini pa photo


grid zvikanzi "varamu ibvupfuwee haupedzi apa bamkuru i1 vari voga."

Kkkkk ndakangoti dai yaiva nguva yekare yaibatirwa vana vachitambiwa


navo chiramu ava bamukuru vaifairwa ava.

Vaiyevedza vana vedu madzimai edu aigona kuchengeta vana. Vose zvavo
pakanga pasina chishoro. Chichi anga atova ne 9 months ava kutodzidza
kufamba. Ndipo pandakazotora mukana iwoyo kuzivisa Derrick zvamai va
Richard.

"Saka toenda kunovaona mangwana kuMvuma kwavari kugara. Was


thinking kuti tivakoke ku get together vachizoonawo muzukuru wavo."

"Yahh its a good idea asi maresults acho anogona kubuda nepakawanda. Asi
ngatingovai positive. Pachamboita ma emotions I know asi we have to do it."

Chikafu chakauya tikadya. Taikazotenderera ndichiratidza mukoma wangu


imba yedu. Takanowana madzimai edu vari muroom maizovata vana Derrick

8|My Pe rfec t R ib Se aso n 3 ( Mai BJJ) 0772921995


vachibva vangoti zii patakapinda. Obvious it was women's talk. Bamukuru
vacho vakabva vandidhonza tikabuda tava kuenderera mberi ne tour of the
property. Ko moti yakanga yakakura zvekutamba here. Ivo vakanga vapiwa
bedroom ku eastern wing kure nesu kuti vafaranuke vari voga ikoko.

Ini hangu kubva pakazvarwa vana ndakanga ndisati ndamboravira poto


yangu. Paakauya akanga achangopedza cycle saka ndakanga ndavimbiswa
hangu kuti Musi uyu hakuna chakanaka. Changa chawedzera kuita chibhora
chimukadzi changu aibvumiwa neuzvere. Kuzadza hake pencil skirt
yaakanga akapfeka yakareba kusvika kutsoka. Mai Chichi dai vakazoita saka
haa taimbobirana vakadzi chete. Kufanana kunyangwe pachimiro.vakanga
vakarongeka mhani vanhu ava.

Manheru mukwasha akauya nemhuri paakanzwa kuti tsano veJoni vasvika.


Matwins akanga akura chose vakanga vatova ne 2½ months. Ndivo
vamwewo ava haiwa kana ndiri seni kana kumbogona zvangu
kuvapatsanura.

Dad vakasvikawo nemudiwa wavo kuzopinda vakabatana maoko kani.


Kadumbu kanga koonekera and ndaiona mufaro bedzi bedzi. Tete nevaroora
vavo namama vakabva vakatisiya vanhurume toga. Mukwasha kutobvunzwa
update ya25 December hanzi siirayi kwandiri mundivimbe. Hatina
kumbotaura hedu zverwendo rwekuMvuma takawirirana zvakare na Derrick
kuti timbotanga taona kuti zvakamira seyi.

Asi vakadzi vedu vaizoziva havo.

Vanhu vakatozoparara very late waiva mufaro bedzi bedzi takakwana tose
vana varoora nemukwasha. Ndakabva ndatova ne picture yemusi wa 25 ko
ma highlights tanga tatomaona zvee. Chero dad vedu vakadudza wani
mufaro wavo ipapo,

"Vanangu chero ndikafa nhasi makabatana kudai I will go straight to paradise.


I will die a happy man. Ngapashaye chingapinda pakati penyu chikakunda."

Hatina kuzotandara hedu zvakanyanya takabva taparadzana tava kunovata.


Ndakawana mudzimai wangu atovhurira mvura yekugeza tikakweshana
musana. Ko nguva yanga yarebazve ndichingoshingirira. Ko

9|My Pe rfec t R ib Se aso n 3 ( Mai BJJ) 0772921995


kuzondipenengura hanzi ndiri kutora stock kuti hapana akambopiwa here.
Ndakangosiya hangu achiita ndikati my turn will come ndoitawo stock
taking. Nàdakatakura munhu wangu takangodaro hedu ndikanotanga ini
kuzorwa mafuta. Moti kwaimbova kuzorwa here nekuti pane
paingosimbirirwa ndanga ndanzwa nekusiririka tsinga dzatandira.
Ndakazozorawo mafuta paya ndichida kuona kuti zvandakaudzwa kuti
zvimatoy zvangu zvinonyangarika kana akaita mwana musikana ndizvo here.
Ahhh vanhu vanonyepazve ini zvangu zvanga zvati rebeyi kudarika
pandakapedzisira kuona. Apa kununira kunge zvadirwa cooking oil. Haa imi
ndakanzwa kuda kurasa nekungoona chete ndikakurumidza kushwetedzera.
Ndakatoita zvekutseketudza kuti ndipinde panga padzoka and iye
akatombochema chema kuti zvorwadza. Pakuzama kutseketudza ipapo
ndakabva ndakurirwa ndikateura ruomba asi ndakakurumidza kurecover.
Ndakatombofunga kuti ndawedzera sizeka nekuti mashinyiro acho anga ava
too much. Pasecond round apa haana kuzonyanya kuchema chema hake
ndikapiwa chikafu changu chandanga ndapedzisira kare. Haaa vana Derrick
vakatogona havo vakaenda kure nesu. Ko kasession kacho kakaita ma
fireworks zvee kuita sekuti tiri kutanga ndokuzovata hedu.
Ndakambobhowewa nasis pavakatanga kushinyira shinyira ndichida kupiwa
kemakuseni. APA ndanga ndatokoka wena. Bva zvandakazoitirwa ipapo
ndakapa kutenda. Handina kuziva kuti munhukadzi anogona kuva flexible
zvakadaro. Upper body yake anga akanyatso vata nedivi akanyatsozvi
positiona zvekuti mwana anogona kuyamwa. Ndokupfugama nemabvi
chiuno chiri mudenga zvekuti Africa yedu yanga yakati waya.
Ndakamboda kumunzwira tsitsi akaita kufonyoka panosangana upper body
ne lower body asi I was tempted kusakura munda wakanga wananikwa uyu.
Apa sis vanga vatotanga havo kukweva kudya kwavo ndikati ndosarireyi
ndiye pfeee nekumasure ndakaita kutsika netsoka pamubhedha ndokubatira
nechemuchiuno. Madzikamiro akanga akaita upper body yake so kana
movement zvayo, nemakurungiro aaiita lower body dai kusiri kuti
ndaizipirwa ndakapotsa ndasimudza maoko kuti surrend mukadzi wangu.
Achitoita nyaya nasisi zvake vachinakirwa nemukaka ini ndichinakirwa ku
valley of pleasure. Ndakashinyira ndikagomera ndikaimba nziyo dzisina tune.
Nedivided attention iyoyo ndakapengereka ndikanzwa "ummmmmmmm"
munhu akavhar a maziso aruma muromo ndikanzwa kudziya ndikaziva kuti
mukombe wapfachuka. Handina kuzogarisawo ndakadzutukawo ipapo
ndokumbozorora ndakawira pamusoro pake.

10 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Daddy weight yenyu"

Ndakazotora towel ndokuzvikukuta ndikapukuta mumwe wangu.


Ndakasiya achipedzisa kuyamwisa ndikanogeza semunhu aiva nerwendo.
Akazotevera akawana ndava kuto pukuta. Apa achimunyaira hake ari
musvo. Dai ndakanga ndisiri parwendo ndakamupamha futi. Nhumbi
dzangu dzaivapo itsva mufunge dzandisina kumboona. Navy blue jeans, red
muscle-T, red sneakers , ne blue cap. Takazodzika for breakfast tikawana
Derek nemhuri vatovapo. Tanga tapfekedzwa zvakafanana wena. Takabuda
tichienda kunotora mkoma Zex kumutapa ndakanga ndavavimbisa kuti kana
ndakuenda kuna mai Richard ndaizoenda navo. Takawana vava ready
semunhu wandakanga ndaudza nguva dzekusimuka tichibva tatopinda
paroad. Ndakafonera mai Richard vakati tinowana vakatimirira paroad kana
tasvika pakanzi Savvana. Takasvika zveshuwa tikavaona vakagara mu shade
yaiva ku opposite across the road. Kwainaya saka vakanga vakagara pa shade
pairatidza kuti panogocherwa chibage.

Vakanga vataura havo kuti vakanga vakapfeka zvakaita seyi uye Zex akabva
angotiudza kuti ndivo. Takapaka mota mujinga me shade chaimo Zex ndiye
akatanga kubuda vakambundirana vakaratidza kufarirana chose.
Takazobudawo na derrick ndikaona vabata gotsi vakatarisa Derrick vakabva
vati zete pachi bench chaivapo. Zex ndiye akazogona kuvadzikamisa and
nesuwo we could feel the pain yavaiva nayo. Haisi nyore kuti wafirwa
nemwana wozongoona mumwe munhu akaita photocopy yake. Chero pa
photo Richard aiva nendebvu sedza Derrick. Takazokwazisana hedu paya
ndokuzopinda mumota. Zex akati maintroductions taizoita tagara pasi.
Vakatiratidza nzira yaibva mumain road ichinanga pagate pakanga
pakanyorwa kuti Savvana Wildlife kaiva kurudyi kwedu. Takakwidza nayo
nemusango kusvika tasvika kwaiva ne dzimba dzakaita kunge dze
mukomboni. Takadarika imwe building yakanga ichiratidza kuti rangova
ziwhite elephant asi yairatidza kuti dai yakazopedziswa yaizoita a state of the
art building. Padivi payo paiva ne community hall.

"Paivakwa chikoro apa iyo building yemudurikidzwa yamuri kuona iyo


chikoro chaivakwa nevarungu vaiva varidzi vepurazi rino saka
pazvakazooma vakangosiyawo and pavakasiira ndipapo hapana akazogona
kupedzisa."

11 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Dzimba dzacho dzaiva dzemukomboni zveshuwa. Takaburuka tikatanga
kufamba tichikwidza. Kwaiva kwakashakara zvekuti ndakava nechidokwa
dokwa chekuziva kuti panomboitwa nezveyi.

"Varungu vaigara pano vaiita ostrich farming uye cattle rearing. Kune rimwe
divi uko kwaiitwawo game keeping. Saka haiwa pavakazongoenda varungu
vacho zvakabva zvangoti mbombombo kwangosara ma ostrich mashoma
shoma ku komboni yekumusoro uko."

"Saka varungu zvavakaenda vanogara muno mukomboni ndevakaita seyi?"

"Pane chikoro chiripo pano. Iyo hall yamaona yaka dividwa kuita ma classes.
Saka mateachers acho anogara mukomboni muno. Iyo imba yakanaka naka
yamatanga kupfuura iyo ndeya headmaster wacho. Vamwe vashandi
vehurumende vemuMvuma vanogara mukomboni muno since yava ku
operatwa na District Administrator. vamwewo imhuri dzema ex workers
vakangosara vachigara muno."

Mubvunzo wangu wakanga wava kuti ivo vanoita fall under which category.
Imba yacho yatakanopinda pairi yaitotyisa kupinda yanga yakasakara
kupfuura dzimwe dzose. Door racho raiitwa zvekusimudzwa rogadzikwa
padivi vanhu vopinda. Chiona kupenya kwaiita floor yacho nekumhuwirira
kwaiita mumba macho. Ivo pachavo vakanga vakagezeka chose. Chaiva
chimba chine three rooms uye blair toilet yaiva kumucheto kwe yard.

Takapiwa zvimacheya tikagara hedu. Mukoma Zex vakabva vabunza


mubvunzo wairambira parurimi pangu chaipo.

" Ko imi pano makauya seyi?"

12 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Its a long story. Hakasi kekutanga. Ndipo pandakazvarira bhururu wako
pano. Ndakambobva situation ikandidzosa futi pano. Asi Mwari
vakazondirangarira misodzi yangu at last handichina mazuva ndiri pano.
Matoita luck kuwana ndichiri pano....."

13 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 2
Dillan

"Ko iwe Rex waingondida sahwira wako ari mupenyu chete waigara uchifona
wani."

"Makatotadzaka kuti Zex moms? Vazhinji ndizvo zvavanoita ndopedzisira


ndangodaira. Kungoti nyika yacho yaoma moms pakuzama kubatanidza
nekujoinidza ipapo unobva warivara kubatana nehama. Asi ndiriko hangu.
Ndakambonozama luck kumakorokoza kuShurugwi ndikaona kuti ummm
hakusi kwangu. Kusheedzera pamabhazi ndiko kwakanga kwava muropa
zvepiki nefoshoro ndakanodzoka ndofa ndatsemuka muchipfuva"

Vakasimuka vakatora ma tumbler ne orange crush yaivamo nemvura yeku


diluta vakatipa. Imba zvayo yakanga yakasakara asi maiva smart maidyika.
Takanga tauya hedu takanonga nonga grocery asi takanga tisati tariburitsa
sevanhu vakanga vasati vaziva kuti kwataienda kwakamira seyi uye
tainogamuchirika seyi.

"Mama sekutaura kwatakamboita pafoni ndinoitwa Dillan Mpofu, uyu


mutwin wangu Derrick, ava mkoma Zex magara munozivana. Isu tiri vana
baDaniel Mpofu vanova baba vaRichard....."

"Makundi confusa manje. Hauna kumboti uri mwana waDouglas here?"

"Hongu ndiri mwana wa Douglas zvakare. Regai nditsanangure"

14 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Vanga vakawaridza rupasa vakatandavara vakanyatsogarisika vachida
kunyatsonzwa kuti zvinofamba seyi kuti munhu aite vana baba vaviri.
Ndakavatsanangurira nemazvo kubva kubatwa kwakaitwa mai vedu na
Daniel, kutizwa kwavakaitwa uye kuzoroorwa kwavakazoita nemuningina
wacho Douglas.

"Douglas ndivo baba vatakakura tichiziva kusvika tava varume vakuru kudai
ndiko kusaka ndakati ndiri mwana wa Douglas."

"Saka imi zvamanga musingazivani na Richard makaziva seyi kuti mwana


wababa venyu."

"Pakaitika kuti musikana aidanana na Richard anonzi Lisa, hameno kana


makambonzwa nezvake kana kumuona?"

"Kunzwa nezvake hongu asi kumuona ndanga ndisati. Mazuva ashaika


Richard ndiwo aakanditumira message ndiri kuShurugwi kwandakambogara
zvishoma ndichihodha ndichitengesa kuma korokoza. Haana kundivanzira
kuti musikana wake anoda kumutizira saka ndakangoziva kuti nezera
raakanga ava asina futi mari yekuroora vakanga vawirirana havo. Week
raaifanira kumuperekedza Ku shurugwi ndiro ratakatumirwa nhume
nemapurisa kuti mwana wenyu azviuraya. Handina wandakagona kubvunza
kuti zvakafamba seyi nekuti nekuti ndakanga ndatovawo neshungu dzekuti
mwana wangu ndomuviga seyi. Ivo baba vemusikana wacho ndivo
vakatenga coffin rinodhura nechikafu chikaita mavhu nemarara asi hazvina
kundichenesa moyo nekuti zevezeve raingova rekuti ndivo vakanga
vakonzeresa kufa kwemwana wangu vamwe vachitoti vakaromba saka kuda
vakatochekeresa havo. Ndakangomuviga ndiri ndoga kudayi nemashamwari
ake mahwindi. Akaita gamba Richard nenzira yakewo nekuti ari hwindi
kudaro aiva munhu wevanhu zvandakanga ndisingazivi. Situation yaivapo
taigona kuita kana gore kana maviri tisina kuonana. Saka pandakaudzwa
zvekufa kwake ndakarwadziwa nekuti tanga tava nenguva tisina kuonana
ndozongonomuona pa body viewing. Ndakadzoka zvakare kubva
kumakorokoza kushanda kwakanga konetsa stress uye kuwandirwa

15 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
nepfungwa chaiko. Ndakagara mwedzi mumwechete chete mushure mekufa
kwake kumba yaakanga achigara ikandiremera. Ndipo pandakanzwa kuti
murungu akanga asiirwa purazi rino akasarendawo dzimba zhinji dzashama
ndipo pandakadzoka kuno panova pandakamboshandira murungu aiva
muridzi waro wekutanga mazuva andabva kuHurungwe ndiine pamuviri
pevana vangu. Taigara kuimba hombe ya headmaster iyo yamaona kuzasi
uko. Ndipo pandakaponera vana vangu mapatya Richard na Reginald. Basa
rakapera ndichangopona murungu ava kudzokera kunyika kwake
achisiirawo mumwe purazi ndakambofunga pfungwa yekunoisa vana ku
orphanage nekuti ndakaona zvichitova nani. Murungu uya akanga ati
ovatora hake vose vari vaviri ndikaramba tikazowiririana kuti anondipa a
certain amount yekuti ndigone kuchengeta mwana 1 ndokanganwa nezva
Reginald. Zvakandirwadza asi ndakanga ndisina choice. Ndakapuwa mari
yakawanda and mazuva iwayo waiti ukaisa mari mu account yaibereka
zvasiyana naikozvino kuti ukaisa mari nhasi mangwana unosvika ichinzi
haimo yamedzwa nemudhuri. Ndakadzoka zvakare muGweru ndikagara
kusvika Richard ava zera rekutanga chikoro ndikanoshandira murungu
zvakare kunonzi kuZaloba kubatsiridza mari iya kwaakandipa bhasikoro
rekuti ndiendese kubasa daily ndichibva kumutapa. Richard aigona
zvekurevesa and ndakanga ndava netariro kuti zvava kuzonaka. Asi
paakasvika form 3 ndipo pazvakazorema mari yavharirwa mubank
takarivara. Ndakatodemba kuti dai ndakangodya mari yacho zvangu nekuti
hatina kumborarama upenyu hweluxury ndichiitira kuzhezhekedza kuti
mwana apedze chikoro agondichengetawo.kuzopedza form 4 zvakanga
zvava zvekugomera chaiko achimbogara pamba saka akatadza kubuda
zvakanaka pa form 4 kuMambo kwaakadzidza. Mari yekunyorerazve
yakashaikwa zvikabva zvatovharana ndokutopinda murank mwana wangu
ari mwanana akazobva zera atova wemurank. Reginald aindirwadza siku
nesikati handina kuwana rugare. Pose paisvika birthday ravo
ndaitomborwara chaiko. Richard hameno kuti diary rangu akariwanawo seyi
akaona kuti haana kuzvarwa ari 1 asi ndakaremerwa kumuudza kuti
ndakatengesa umwe wako kuti urarame.

Asati ashaika Richard akandiudza kuti akanga awana baba vake pa face book.
Ndakanga ndisina kumuvanzira hangu kuti variko asi vakaramba kuti
havangandiroori nekuti vaiva ne mukadzi nevana. Saka anga ava munhu
abva zera saka kuti ndirambe ndichimudzivisa kuna baba vake zvaisaita.
Sakandakamurega akazama kutaura navo vari ku Cuba achida mari yekuti
atange business vakamunyima. Akarwadziwa zvekuti akazofa asingadi kana

16 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kunzwa zita ravo. Pano pa komboni ndakazodzoka pakashaika Richard
ndokuzogara pano. Ndakawana dzimba zhinji dzakanaka dzatorwa, ko
shoko rinombotana kufamba here. Kusiiwa kwakaitwa purazi nemurungu
vashandi vazhinji vakabva vatosiya ndokudzokera kumisha yavo kusara
kwevashoma vakanga vasina kwekuenda. Saka dzimba dzakabva dzabooka
pasina muridzi. Ndakazowana pasara iyoyi yapera ne mitswi kudai. Asiwo
zvakandibatsira pakuti vazhinji vakanga vazvigarisa vega mu dzimba dziri
nani vakazotorerwa muchiiswa maticha pakavhura makeshift school uye
district schools inspector anogara pano nevamwe vashandi vehurumende
vemuMvuma. Saka changuwo chino hapana akachida nekusakara
kwachakaita.

Richard ndiye tariro yoga yandakanga ndiinayo yekubudirira muupenyu


panguva iyoyo and kufa kwake kwekuzvipfuudza kwakandirwadza kusvika
pekupedzisira. Baba venyu ndakanga ndakavatsamwira zvekuti
ndakavapikira kuti as long ndakavasungira chigumbu hapana chipenyu
chavanobura muupenyu vachafa vachingondeya pa one place sezvandiri
kungoitawo. Nekuti Mwari ipapo vangange vaita favour kuti munhu ouraya
upenyu hwemunhu asi orarama nerugare nekubudirira. He destroyed my life
now ndanga ndongoita upenyu hwekudzembereka. Vakandirwadzisa kuti
after vatora humhandara hwangu ndipo povozoti handikwanisi kuti
ndikuroore ndine mukadzi nemhuri. Mhuri iyoyo ndiyo yakosha kudarika
vaunongozvarisa musango? Ndinopika namai vangu chihera vari pachuru oh
anofa achitambura chete"

Vakanga vava kutaura zve shungu zviya misodzi yavo vakatadza


kuicontroller vakavhara kumeso kwavo nejuzi.

Hapana akagona kuvanyaradza neniwo I could feel her pain. Asiwo


ndakaona kuti imwe bitterness inotodzosera iwe kumashure. Instead
yekufunga kuti life yangu ndoigadzirisa seyi unenge uri busy kufunga
kurwadziswa kwawakaitwa uye revenge. Ndakavatarisa she was still young
kuda kuma late 40s or early 50s, very beautiful and vasina kana kuremara.
Chandakadzidza chose chaunobata uri bitter hachina maropafadzo.

"Chiregai kudaro mama. He is already paying for his sins asi imi zvine
chazviri kukupai here?"

17 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Saka manga mauya kuti muzoti ndiregerere baba venyu here? Kungoti kana
usiri mazviri uchizvionera panext zvinoita senyore."

"Kwete mama hazvisizvo zvatavinga hedu. Kuregerera kunobva mumoyo


and kana imi musati mazvigadzirira hapana anogona kukumanikidzayi. Pano
tauyira kuti tizongokuzivai uye kuti muzive kuti hamusi mega mune mhuri.
Isu tiri mhuri yenyu same blood na Richard na Reginald. Uye chatakadzidza
muupenyu chimwe nechimwe chine nguva yacho. Zvimwe zvinhu tikada
kuzvimanikidzira muupenyu kana nguva isati yakwana zvinototiwedzera
kuvava. Mwari vane nzira yavo yekuita nayo zvavanenge vakaronga
muupenyu hwemunhu."

Akanga ava kutaura ndi Derrick manje vanhu vose vakanga vati ziii.

"Kuti tisanyanya kurebesa muteuro, mama, Richard paakashaya akasiya Lisa


aine pamuviri asi akatozviziva musi washaika Richard."

"Mati kudii?"

Ndakatsanangura zvose semaudzirwo andakaitwa naLisa. Ndakatora tablet


yangundikavapa paiva nemaphotos aNyasha kubva paakauya kusvika zuva
iroro.

Vakachizonyatsodonhedza misodzi manje asi vachitaura kuti "Mwari


mapukuta misodzi yangu."

"Ko madiiko kuuyawo naye ndamuona nhai mwana wemwana wangu."

"Tanga tati tati timbotanga awama pamuri mama tisazombeya nemwana."

18 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Ndiye atotsiva nzvimbo yababa vake. Maita mwari mandipa munyaradzi
wangu. Munoziva henyu vanangu zvaita sekuti pane dombo guru rabviswa
pamafudzi angu. Moyo wangu wabva wareruka chaiko kutonzwa kuti ndava
mumwe munhu. Ndaigara ndichichema kuti ko dai akangosiyawo hake
budzi rimwechete haro nhai Mwari. Nyamba vanenge vachizwa havo?"

Vakambodzokorora kuona vakanyarara asi nyemwerero zvese ne misodzi


yemufaro zvakazara pachiso pavo.

"Mwanangu wataura chokwadi kuti chimwe nechimwe chine nguva yacho.


Paakatorwa nemurungu wangu akabva kuno atomutoresa birth certificate
nezita rake kuti Reginald Jameson Smith. Saka pane mufundisi vanobva
kuGweru vanouya kuzopinza church pano every Sunday. Pane church ye
Alliance yakavhura branch pano saka ndiko kwa ndanga ndichienda
mazuva adarika aya. Ndakagona kutaurawo dambudziko rangu nekuti
ndakanga ndasvika pakuremerwa ndisina wekusheya naye zvairemera hana
yangu. Vakandiudza kuti vaigona kundibatsira kutsvaga Reginald.
Ndakambotya kuti agreement yaiita sekuti handifaniri kuzombofunga
zvakare kuti ndine mwana anonzi Reginald asi ndakangoti chauya chauya.
Papera 2 weeks ndavaudza nyaya yangu akafona Reginald achiti akapiwa
number dzangu na pastor vakataura vose pa Facebook. Ku Cyprus akaenda
mushure mekunge couple yakamutora yashaika pakasara pachiita
kusawirirana nevana vakasiiwa kusvika azosuduruka kuenda ku Cyprus
kunozviraramira upenyu hwake husineyi nemhuri yekwa Smith. Hatina hedu
zvakawanda zvatakataura asi ari kuuya pa Christmas ipapa. Akabatikanawo
ne decision yandakaita asi ndinoziva hangu ndikataura naye face to face
tichanzwisisana."

Kwanga kwangosara hako 1 week chete kuti Christmas isvike. Saka takabva
tatorawo mukana iwoyo kuvakoka ku mutambo mukuru waiva kumhuri.
Vakangoti vaizotizivisa kuti program yakamira seyi since vaitarisira kuuya
kwemwana wavo. Asi vakavimbisa kuti chero vakasauya ku mutambo
vaizongoronga rimwe zuva riri pedyo kuzoona Nyasha.

19 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Asi how safe are you pakadayi pasina kana door. Mati panoitwa futi game
keeping hamutyi here dzikapoya mhuka."

"Ndatojaira hangu. A beggar cannot be a chooser. Ipapa ndanga ndatova ne


stress kuti ndozvifambisa seyi asi nekuti dzimba idzodzi dzakanga dzanzi
kutanga January hatichagari mahara tava kuzobhadhara ma $150 pagore.
Saka mukoma wenyu zvaari kuuya handifungi kuti ndicharamba ndiri pano."

Zvaisazoita hazvo kuti uudze munhu kuti $150 pagore zvakangofanana


nemahara. Kureva kuti pamwedzi inenge iri around $13. Kwavari rairatidza
kuti raiva gomo chairo. Paiva tricky zvakare pakuti mukomana wavaiti ari
kuuya pamwe aitovawo bitter but hapana mwana angazorasa mai vake
zvachose hake.

Isu takambotsamira vedu wani asi pavakatozoshaika takarwadziwa nenguva


yatakatambisa takagukuchirana ne bitterness instead of embracing love.
Kungoti hako the situations differ. Kungoti pamwe naiyewo zvaitomunetsa
kuti what happened to my real parents kuti azopedzisira ava mumaoko
emurungu. Uyezve kuti ivo varungu vacho vakamuudza kuti kudii nekuti for
over30 years haaimbotadza ku tsvagawo vabereki vake. But I'm sure
vaizonzwisisana havo chakakosha ndechekuti vakanga vawanana zvimwe
zvaizoonekwa. Vakanga vava kutoratidzawo kusununguka vava
kutotibvunzawo zvekumhuri kwedu asi yamudhara danyere havana
kutomboibata. Vakatiwo kana vasununguka vaida kuzonoona Lisa kujeri.
Takaburutsa grocery mumota tikavapa uye Derrick akavapawo R1000 rands
kuti vabatsirike uye kugadzirisa madoor avo. Zex aka offer kuvagadzirira
hake door saka zvakatozotipa kuti ti drive kuenda kuMvuma town
kunotenga zvekushandisa uye lock. Takadzoka pachinyede chavo patova
nemadzimai vaivapo kuda vaida kunzwa nyaya. Vakapararirawo
patakasvika zvichibva zvaita obvious kuti vaida kuzokwapa makuhwa. Iko
kuzoita group kureva kuti vose mudzimba dzavo vakanga vaita free nguva
imwechete here? Vanenge vakatoita zvekukokorodzana chaiko kuti huyai
muone. Umwe hameno zvakanga zvakaputirwa muzambiya achifamba
nedivi kkkk. Vamwewo madzimai ndeayikandana zvibhakera hanzi umwe
anga aramba netambo yekudhaya mvura. Paikandanwa ma blows kani

20 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
zvekuti ndaka mbosikiza kuda kunobata mai Richard vakandirambidza.

"Pano hapadziviswi vanorwa kana kutukana nekuti inosara yava yako. Last
week pakaita fight saizvozvi vamwe baba vakanobata ikasara yava yavo
vakadzi vaya vava kuti tabatwa mazamu. Vacharega vega kana vaneta."

Zvanga zvakaoma chokwadi.

Pakapedza Zex kugadzira door hatina kuzombomira hedu takabva tapinda


pa road. Takatanga tanosiya Zex kubasa kwake ndokuzoenda hedu kumba.
Takapira madzimai edu nyaya yacho tikati imboita secret yedu hayo kusvika
right time. Chero Nyasha haana kumbenge aziva kuti takanga tanoona gogo
vake.

Week yacho yakandinonokera kufamba ini kuita kunge kamwana


katengerwa hembe dze Christmas muna November. Anoramba kufamba wee
mazuva achingoti akawana kamukana kekuva ega dzombonzi pfee 2 seconds.
Christmas yakanga yanangana ne Saturday. Vana Shumie vekusagadzikana
kana pamusha pachiuya vayenzi vakanzi ne mukwasha imbondipaiwo
mukana kana ndakundikana ndichakuudzai mondibatsira. Vakabva
vatozoronga havo kuenda kushurugwi kwaiva ne open day musi wa23
December vachienda wo na Nyasha ndipo paaiva nemukana wekunoona
mama vake. Zvakaita zvakanaka kuti akanga avakuonekera Lisa otherwise
mwana aisvika akavaramba mai vake. Vakaenda vachi muvigirawo grocery
re Christmas , vakadzoka vachitiratidzawo mapicture avakatorwa ikoko
nekuti kuma 2 masikati vakanga vatodzoka vaiti Nyasha akanga asisiri
comfortable aingochema. Around 3pm yakapinda call yamai Richard.

"Ummm hamadzangu ndaiva too excited ndichiti ndawana mwana wangu.


Asi paafona achiti asvika pa airport ndatozoona kuti hazvisi nyore
sezvandaifunga. Ndiri kutoona kuti zvichandiremera kufesana nemwana
wangu wandakatadza kana kuyamwisa ndikaita give away. Handioni
ndichikwanisa ini zvava kutorema nechekare..."

21 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 3
Dillan

"Ummm ndaiva too excited ndichiti ndawana mwana wangu. Asi paafona
achiti ava pa airport ndatozoona kuti hazvisi nyore sezvandaifunga. Ndiri
kutoona kuti remera kufesana nemwana wandakatadza kana kana
kuyamwisa ndikaita give away. Handioni ndichakwanisa ini zvava kutorema
nechekare."

Ndakato nyatsonzwa kuti havana kugadzikana mu voice mavo vachitaura.


Kunyangwe nesu takanga tatombova bigger tiri muroad kudzokera kumba
kuti vaiva neushingi nekuti vainzwa kunonokerwa nekuona mwana wavo
after 38 years. Apa manje vaiti akanga asvika pa airport ivo vaiva
kuShurugwi. Zvakatoita zvakanaka kuti havana kuenda kunomumirira ku
airport otherwise paiita drama chairo. Nesuwo hameno kuti taiva tatadza nei
kuvabvunza kuti Richard wacho aizofamba seyi kusvika kuShurugwi,
considering kuti yaiva first time kuuya kuZimbabwe uye kuti obvious
language yaizomunetsa. Pamwe tingadai takaronga kuti onomirirwa seyi uye
nani. Pane pakambotaura Derrick achiti

"Hameno kamwe kafeeling kandiri kungonzwa soo kuita sekuti Reginald uyu
is a long lost relative wandava kuzosangana naye hameno kuti chii. Ndiri
kutonzwa kunonokerwa nhai kuita sekuti ndiye wandakavinga kuno kubva
ku South Africa."

22 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Chero neni nhai kutomboita nguva yandinovhara maziso kutoita imagine
kuti munhu akaita seyi, is he tall, mutsvuku here or akaita seyi chaizvo"

Pane pandakambova tempted kudakumutsvaga pa Facebook ndikazezera


kure ndikasiyana nazvo. Ndakazovabvunza kuti akanga ati anouya seyi
kuShurugwi asina munhu akanga anomutambira ku airport.

"Ati ahaya mota irikuzouya naye kusvika kuno. Kutoshaya kuti ndodii.
Ndinoita zvekunomira kumain road here kana kuti ndongorega vasvike.
Hopefully havazorasiki and handitozivi kuti vari kushandisa route ipi, via
Chivhu here or via Gweru."

"Ok mama gadzikanai ndinokufonerayi manje manje."

Ndakataurira Derrick nyaya yaivapo. Akabva atoita suggestion yekuti


tiendeko kuShurugwi Reginald anosvika tiripo. Panga pakaipa nekuti
following day yacho vaenzi vanobva kure vaizenge votanga kusvika vaida
kutambirwa. Saana tete mai Khumalo vaiti vachasvika muBulawayo ne fight
inosvika na 10 kuseni musi wa 24 wacho iwoyo. Saka obvious vaida
kunotorwa ku airport. VanaSinyoro namadam natsano Cliff vaishandisa havo
road asi vaiti vanosvika kuma 3-4 masikati emusi wa 24. Lesedi na Garikai
vakati vakanga vakundikana kwanga kuine hurongwawo kumba kwavo
kuHarare. Vamwe vose havo vakati vaizosvika musi wa 25 kuseni. Takatoona
kuti kuenda ipapo ndiko kwaitoita nekuti ndakazvitarisa ini mai vaRichard
ndisu takavatsvaga, and kuzotiudza zvaivanetsa apa she felt kuti ndawana
hama dzinogona kundipawo zano. Dai zvakanga zvisizvo vaigona kungoti

23 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
patakaona ipapo zvotopera ipapo.

"Its ok mama. Imi garayi kumba ikoko musavhunduka tiri kuuya. Vasimuka
nguvayi kuHarare?"

"Ndataura naye patova ne 2 hours achiti ava kusimuka. Asi anga


achishandisa line remuno reeconet manje handizivi kuti nderaani. Ndamboda
kushinga asi ndatoona kuti nekufamba kuri kuita nguva fear yangu iri
kuramba ichingowedzera. Ndakufunga kungobva ini ndongoenda chero
kwandaenda nekuti handifungi kuti ndichagona kutarisana naye."

"Izvozvo hazviiti mama ndati tiri kuuya wani. Garai kumba chete we will be
there for you. Simbai nekuti pamwe iye anotova worse kupfuura imi.
Achasimbiswa nani kana imi mukapera simba saizvozvi?"

"Zvakanaka mwanangu ndichayedza kushinga."

Takaona kuti zviri nani titobva tapinda paroad nekuti pavakataura kuti
vanhu vava ne two hours vasimuka takatoona kuti pamwe vava kutosvika.
Madzimai edu takamaudza nyaya yaivapo vakangoti zvose zvakanaka asi
tisazovatako nekuti 24 was hectic. Yanga yatova culture yedu kunamata pose
patinofamba rwendo chero rwungava rupfupi seyi. Takaperekedzwa kusvika
pa mota ndikamhanyira kuside kwapassenger ndaisada zveku driver ini.
Akaseka Derrick achipota kuside kwadriver akabatana ruoko na ambuya
vangu kkkk. Haiwa takanga tazvivharisa isu totokona kufaranuka ndichiti

24 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ambuya kumunhu anoshagadiwa natwin wangu. Ndakasvika pa door
ndikanzwa ndabatwa T-shirt nekumashure ndikabva ndatendeuka.

"Saka handisi kutombopiwawo kana ka baby kiss hako kegoodbye?"

Anga akarerekera musoro mukadzi wangu ndikanzwa tsitsi.

"Sorry hun. Baby kiss here kana kuti soo?"

Ndakamuna nekiss yemandorokwati ndikanzwa nabatwa nemuhuro zviya


zvekuti "please don't stop". Ndakawurukira ndabatwa panoyera pakabva
pamuka zvekuvhundukirawo kuti gwiii gwiii.

" Sorry daddy. Ndisiirewoka ichi"

Apa munhu aitaura achipuruzira ipapo ndakatadza kudaira ndangovhara


maziso ndatarisa mudenga.

"Ndipoo kani wozodzoka uchitora chinhu chako wadzoka."

25 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Kuzoita sekamwana kani kunyengerera. Apa ndanga ndatoparara zvangu dai
ndaisava parwendo ndakamudhonzera mumba ndakanomupa twekwake.

"Eish wandikuvadza babe hona. Ndofamba seyi manje eyyy? Ndodzoka babe
nhasi chaiye ndiwane uri ready."

"You know wani kuti I'm always ready for you. Woda ndikugadzirire chii
nhasi?"

Akataurwa ose masitaera acho nemazita awo kuda akasvika 10 kana kudarika.
Ndakanzi mbaaa zvakare ipapo munhu kwakutanga kufamba achizunguza
kumashure kukati kwaiva loaded kwakuzondi furidzira kakiss asvika pa
door. Ndakapinda mumota ndikaisa news paper pazip panga pashatirwa.
Kuseriwo padoor radriver chaipo wangu mukoma ndiye anga akaita
kunamira mukadzi pamota. Ndakagan'a zvangu ndikaridza hooter vanhu
vakauruka nekuvhunduka. Gules vangu vakatozogadzirisa top vachienda
kana kucheuka. Akangopinda akagara zvikanzi

"Shaaa ko ukangoenda ndisare hangu ndichibatsirana ne mukwasha?"

Ndakadambuka nekuseka ndakatarisa bhandomu yaitoda kutsemura zip kuti


ipoye.

26 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Tikwanireyi baba imi mutsai mota tiende. Mowana varipo gules hapana
kwavanoenda"

Akandisikiza neseri kweruoko akaridza tsamwa achimutsa mota. Takafamba


road yose tichikurukura hedu zvemudzimba medu kunyanya zvikomborero
zvemadzimai zvatakapiwa na Mwari. Mukoma wangu was happy and I
was happy too.

"Pauchauya ku South Africa ndipo pandichada kuzokuratidza kuti I'm at


peace. God is blessing us too muchwoo. Kutaura kunganetsa please take time
to come nemhuri timbozofara."

"We will bro. I'm also happy as you can see. Takarangarirwa naMwari shaa.
Ini ndinotoshaya kuti mukadzi wangu ndonyatsomuda sei chaizvo nekuti
zvose ndongoona sekuti hazvitombomechi rudo rwaanondipa iye."

"Ndipe hako ndiite two kana usingagoni"

"Tsek apa. Iwe uchisakadzwa ne1 kudaro kuzoti vakaita vaviri unotofa
hakozvee"

27 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Pakaipa shaaa."

Rwendo rwakaita rupfupi takaerekana tasvika pachikwangwani chakanzi


Savanna Primary School ndokukona. Ndakabva ndafunga number
yandakanga ndatora kuna mai Richard yavaiti ndiyo yakanga yafonewa nayo
na Richard. Ndaifunga kuti pamwe yaiva ya driver waaiuya naye.
Ndakaitarisa ku ecocash ndikaona zvechokwadi yakatonyorwa kuti Reginald
J Smith. And chakazonyanya kundinetsa ndechekuti yakanga ichitova
registered ne ecocash. Ahhh zvakandinetsa ini kuti kana munhu iri first time
yake kuuya kuZimbabwe and akanga asina kana 4 hours aburuka ndege obva
atotenga line otoregister rotoshanda ipapo ipapo. Ummm zvakandinetsa ini.
Ndakamboda kufona ndikaona kuti pamwe ndinenge ndamhanyisa. Chero
Derrick aingozhezhekedza mota mumatombo imomo handina kumutaurira
zvandakanga ndafunga. Karoad kacho kainanga kukomboni kakanga
kakashata ari matombo oga oga kaito stretcher about 500-600 tiri mukasango
tisati tatanga kuona dzimba hombe dzacho dzakanaka dzaiva kurudyi.
Nzvimbo yacho iri scenic and ka view kacho kakanaka zvekuti. Unenge
uchiita seuri kukwira mugomo and vanhu vacho vaigona kuchengetedza
nharaunda nekuti miti yemutondo yakanga yakarongedzana making the
place looking more naturally beautiful. Ndakafunga ndikati ndofunga chero
dai murungu iyeye akanga aramba aripo chero dzimba dzingadai dzichiri
nechimiro chakanaka. Ndofunga vandalism yakanga yatova nyaya yekuti
pakanga pasisina anopa mitemo nekuti chero mvura yakanga isisabudi
muma tap vava kutonochera mugodhi weumwewo mukorokoza. Ko
makanga mava nema gold panners futika ndivo vamwe vaigara mukomboni
imomo. Saka mugodhi wemukorokoza iyeye unonzi wakazongozara mvura
pakwakanaya saka ndiko kwanga korara mira vagari vemo. Ndiyezve ane
mukadzi airohwerwa tambo yekudhayisa mvura mumugodhi wemurume
wake futi. And ndaitofunga ndakatarisa kuti kwatakapinda nako tichibuda
mu main road pane vanogocha chibage and matemero avaiita miti ipapo
akanga akaoma. Ndaitoti dai vangoperera kuroad ikoko varega kupinda
mukati mupurazi nekuti haraizonakidza kutarisa.

28 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Takasvika ndokunanga kumba kwa mai Richard straight ndokuwana
vakagara pachimugomo pazuva paipisa kuti tuuu. Shame vanenge vakanga
votorwara havo nekuti chero kusvika kwatakaita havana kukuona nekuti
kana sound yemota haina kuvatirimutsa. Vakatozoita zvekuvhunduka
vachidonha chaiko pachimugomo chavakanga vakagara patakavhara madoor
emota. Ndofunga vakanga vafunga kuti mwana wavo asvika. Takazovabata
tikavasimudza kuti vagare pachimugomo pakare.

"Hamuna kukuvara here mama?"

"Kwete mwanangu handina. Ndavhunduka chete munoti ndichiri munhu


here ipapa. Ndageza iyo mvura yemumugodhi ndikatadza kana kuzora
mafuta maoko anga achibvunda ndopandazogara ipo pamushana pano."

Aaaa zvainzwisa urombo chaiko. Derrick akapinda mumba akanobuda


akabata mafuta ekuzora hameno kuti akanga amawana pai mumba imomo.
Vakazora apa ndokubva anoadzosera. Pavakati vasimuke tipinde mumba
tose attention yedu yakabva yatorwa nesound yemota yaisvika. BMW ye
black yaiva nema tinted windows. Takaramba takati meso edu jii ikoko.
Akabudamo mwana wa Dhanyere ko aimborasa here. Regai ndirege kutaura
zve vamwe asi regai nditi I saw the image that I saw everyday sometimes
twice a day poga poga pandaizviringa mu mirror. Akambomira kwechinguva
ndokuzoita kumhanya chaiko achisvika achiwira pana mai vake vatakanga
tisina kutoona kuti vaita kugara pasi chaiko mumavhu vakabata kumeso
kwavo. Akambundira mai vake nemuchenero waakanga akaita
akawumburuka mumavhu imomo vakambundirana. Akavabvisa maoko aiva
kumeso kwavo akavapukuta nemaoko ake akaviga face yavo pachipfuva
pake akaisachirebvu chake nechemumusoro mavo. Vakachema zvakapisa
tsitsi vakadaro kana nesu takapedzisira tadonhedzawo misodzi tose. Hapana
akataura neumwe yaingova misodzi.

29 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Mama please regai kuchema"

Takashamisika tose na Derrick kuti heya munhu uyu anotaura Shona


kunyangwe accent yacho yainzwikwa hayo kuti ndeye munhu asina kujaira
kutaura Shona. Avawo mai vacho ndakanga ndaona kare kuti vanenge
vakanga vakati endeiwo kuchikoro nekuti pose pavakashandisa mazwi
echirungu mukutaura kwavo hapana pavakatsveta pasiripo.

"Please forgive me my son. I'm a bad mother...."

"No mama please don't say that. You are the best and most brave woman I
have ever met. I'm what I am today because of the painful sacrifice that you
made back then. I know you did not do it with a smiling face but with tears
and a heavy heart. The pastor who gave me your number told me everything
and he even sent me a few of your photos. That's why I easily recognised you
when I got here. I was praying for this day for so many years mama. I'm
here now mama we will be together. Im not going anywhere."

Misodzi yaiyerera asi actions could tell kuti paita zvemufaro apa. Vakakiswa
kiswa kumeso kose vakazobatwa maoko ose vakasimudzwa
ndokumbundirama zvakare. Ndipo patakazosvika pavari taona shungu
dzavo dzapera. Kwanga kwakutotanga kusviba sepanhu pakanga pasina ma
lights epanze. Yamai Richard iyi handifungi kuti yaitombova nemagetsi
nekusakara kwayanga yakaita.

30 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Takakwazisana paya ma introduction akaitwa. Vakanyatsotaura mai Richard
kuti tiri vana vababa vake takavatsvagawo tikavawana. Mufaro waakaratidza
ipapo takanga tisina kuutarisira. Vamwe vanenge votorwa godo remadzimai
avo but this one was different. Seni hangu I felt a connection paakandi hugger
ndakanyatsonzwa kuti ropa radairana apa.

Mai vake vakapinda mumba vakanobatidza makenduru. Akanovhura boot


remota akaburitsa zvinhu zvake zvakanga zvakazara boot nepama seats.

"Ngatipindeyi mumba majaya angu panze pava kuruma mosquito. "

"Ndatouya mama nezvinhu zvangu zvose handichadzokeri. Imwe goods


ndakaita zveku shipper including mota dzangu. Togara tose pano until we
find a better place."

It was an emotional moment of mother and son reunion. Takazomubvunza


kuti why zvakamuitira easy kusvika panzvimbo iyi.

"Its not my first time to be in Zimbabwe. I once stayed ku farm ra Mr Smith


riri ku Banket for almost 2 years asi rakazotorwa haro for resettlement. I knew
I was Zimbabwean though my adoptive parents never wanted me to know
about my real parents. So I grew up speaking Spanish and English. But when
I went to varsity I met a Zimbabwean guy who became my best friend. He is
the one who taught me to speak and write my mother language and for the
7years that we were together tichiita ma degree edu in medicine ndakadzidza

31 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Shona until I was very fluent. So pandakapedza chikoro Mr Smith vakavhura
sort of clinic pa farm pavo and I offered to come and help my fellow
Zimbabweans for free. And ndakawedzera kugona kutaura Shona ipapo.
Vana vavo vakanga vasingadi kuuya kuZimbabwe due to the bad publicity
hanzi kune mabhinya tonoguriwa musoro. Pano apa ndakambopasvika futi
madays iwayo andakanga ndiri ku Banket trying to look for information
yekuti ndiwane my parents since ndakanga ndanzwa kuti Mr Smith was
based here on this farm saka ndakangofunga kuti ndinogonakuwana
information yekuti ndigone kuita locate my mom asi vakanga vavapo vacho
knew nothing about her. It seemed ma workers aivapo time ya Mr Smith ose
akanga asisipo, that was 13-14 years ago. Saka my search yakabva
yangobondera. But I'm happy mama ndakuwanai."

Takavimbisana kuzoonana zvakare uye yekuuya ku Christmas mai vake


vakati vaizotiudza.

"Baba vasvika ava veduwee huchirikadzi hwapera. Ndombonzwawo kuti


vakarongei for Christmas."

Takaonekana tikambotorana ma selfie tiri vatatu ndokuzotora namai haa it


was a happy moment.

"Thank you my brothers. I hope we will see each other soon


timbonyatsozivana."

32 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Vaasina kumbobvira abvunza ndibaba vake kuti vapenyu here kana kuti
varipi vanoita nezveyi haana kana. Ndakamunzwisisa ini hangu pachangu.
Ndakamboda kuti tivati tiende tose akanyatsoramba Reginald akati

"No my brothers, ndoda kumbonzwawo life yakararamiwa namai vangu


mumba inoita seichavadonhera vakavata. Tichazobva hedu pano kana time
yakwana. Once again thank you for your love. Greet your families for me
muvaudze vana mainini kuti baba vauya"

He was such a nice person.

Takazovasiya kuti vambowana nguva mai nomwana. Takabuda tikasiya


vachiti vanoda kugeza then voenda ku Mvuma kunodya out kudya kwe
manheru obvious ku chicken slice.

Nyaya yevaviri ava ndiyo yakatisvitsa kuGweru tichingotaura. Takazosvika


kuma 9 chaiko husiku vanhu vazhinji vakanga vavata. Kana ari saDerrick
speed yaakaita achikwidza ma stairs ndakafa nekuseka.

"Dai ukawana robot raita red ukaure"

"Haaa ibva apa iwe ndongopindaka rakadaro zvine basa."

Ndakanowana wangu mudzimai akandimirira in her sexy night wear


yandakanga ndisina kumboona. Ndakadirirwa mvura ndikagezeswa
ndichibvunzwa mafambiro atakanga taita. Food yangu yaivamo zvenyu imi

33 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
mubedroom and yainyatsopisa. Ndakamboda kupfeka tshirt kuti ndidye
ndakapfeka ikatorwa ikarasirwa kure uko ndikagariswa pa couch ne pant
chete ndikaisirwa chikafu pa stool. Ndainyatsoona kuti mukati meka short
kaiperera pasi pemagaro hamuna kana chirimo apa kaiva kasee through. Apa
akuzogara paside pangu ndichiti ndikaita huro mbiri ndopiwa kiss.

"Wadzoka nezvinhu zvangu here toone shaa"

Aaah ndakapotsa ndakachidzwa ndabatwa futi pa gear box. Ndakada


kusimuka ndikanzi gara upedze chikafu handidi zvekufenderwa. Haa
mwana uyu kana ndaizoendeswa ku hlanyeni kumusha wemapenzi kutsvaga
varoyi kwaizenge kuri kupedza nguva. Muroyi wangu ndaimuziva nekuti
aindipengesa chaiko mwana wemuera moyo. Ndakaita plate yekubatira
mumaoko kudhuze nekumuromo chaiko ndaiona sekuti pa stool payaiva
ruoko rwainonoka kusvika kusvika kumuromo. Ndakadonhedzera
kamusodzi muplate musoro werovambira waboverwa mumuromo.
Ndakanzwa kuita sendoda kuita paralysed kubva muchiuno kusvika
mumabvi umu.

Ndakatsveta plate pa table zvekupedza yakanga yava Imwe nyaya.


Ndakamusimudza musoro ndikamukisa pamuromo ndikamuudza kuti
ndaipirwa. Ndakagariwa pa couch ipapo munhu akandifuratira akabata pa
stool akati oita hake se bhiza riri pamujaho. That's my wife for you pa area
iyoyo ndikaita complaint Mwari vaindiranga.

Takazorora hedu mudiwa wangu ari mujinga mangu ndichimuratidza ma


pictures atakanga tatora kuSavvana.

"Wooow hauchiona anonzi murume uyu."

34 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Hayya uchiona serious yenhema yakanga yakarohwa.

"Murume pai nhaiwee?"

"Haaa jealous down uyu inhengozve zvimwe bvumawo kani."

"Iwe murume haaretewi neface asi neapa (ndichimubatisa) ko kanaaine


kadora?"

"Kkkk haya ungabva wati kadora here nhai. Kufara hangu daddy you are my
God given gift. Without you lm incomplete. Handigoni nemi Mhofu yangu"

Ndakatozorova corner kick paya ko isu any angle i go bhoraka. I learnt from
the best teacher.

24 yaiva batai batai. Mukwasha wedu was something else. By 4 pm zvese


zvakanga zvava in place zvakarongeka. He engaged the best events planner
in town. Ve catering vakanzi vanozobikirapo kuti tisadya chikafu
chakatonhora. Khumalo family yakanotorwa na driver ku airport vana
tezvara vakasvikawo kuma 6 zuva rovira na tsano Cliff. Vakafara veduwee
vachitiona tichivatambira pamota.

35 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Tsano ndatouya please motondinunura masters yangu handichada zveku SA.
Convince these guys vaudzeyi kuti MSU iri bhoo seyi please. "

Takati taizotaura vakafara kuita sekuti vatovako ku MSU kwacho. Vaenzi


vedu vose nesu takavata pa 15 marlvin kusanganisira mukwasha. Ve catering
vakatanga 3am kubika takavata hedu. Vamwe vaenzi vose ve local vakatanga
kusvika kubva ku nzvimbo dzakasiyana siyana. By 10 vanhu vose vakanga
vavapo kunze kwemhou ya baba vekuKwekwe hanzi vakati ndinorwara.
Takazoshamisika vachisvika ne cab vakati baba vanobhadhara. Vakabvapo
vachidzungudza musoro vachiuya kutent yaiva padhuze ne kugate.
Vakadanira muningina wavo padivi vakazevezerana ndikaona dad voisa
ruoko muhomwe vakaburitsa mari yakawanda vakavapa. Ndakazonzwa kuti
mai Mhofu vakanga vahaya taxi kubva kuKwekwe kwaikwirwa lift $2.
Munhu wese akapererwa.

Mutambo wakatanga haiwa pakafariwa. Lunch yakazosevhewa takagara


mutende guru raivapo. Takaona kugate BMW yamukoma Regie ichisvika.
Takatarisana na Derrick ichiratidzwa pekunopaka. Havanakufona
ndakatombokatyamara kuti vakanga vaziva pamba seyi. Ndakazoona kuback
seat kuchibuda mkoma Zex ndikaziva kuti ndivo vakanga vauya navo nekuti
ndakanga ndavakokawo ku Christmas semunhu watakanga takuziva.
Akabuda Reginald, akapfeka hake simple and smart, akabva anovhurira mai
vake door. Haaa imika,takatarisana na Derrick tikatarisa mudhara Dan. Kuita
kunge varohwa nemheni muromo uchiita kunge uchatsemuka. Chero
madzimai ose aiva pa party kunyangwe madzimai edu chaiwo hapana
akanga akachenerana namai Richard. Munhu wese akakanuka and
chandinoziva chakakanutsa vanhu kufanana!!!! kwatakanga takaita na
mkoma Reginald. Takazosimuka tikanovagashira tichimbundirana paya. Dad
ndivo vakatevera kumota kuya na madam sema hosts. Ndivo vatakazotanga
kupa introduction paya. Zex aiva kuseri kwemota ari pa fon yake. Mukwasha
Chris akazopindawo akanga ambomhanya kubasa kwaakanga adaniwa.
Akafamba achiuya kwatakanga takamira ndikaona asara ne about 10m achiita
abrupt stop ndikanzwa oti

36 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"No,no, no,no noooooo!!!"

Apa aidududza nenhendeshure achibva apingwa netambo yemagetsi


akadonha ndokutanga kugwesha achienda chete. Akawana mukana
wekusimuka akamhanya achienda nekuseri kwemba kuside kwaiva ne pool.
Dad vakandipa sign yekuti nditevere tikamhanya na Derrick tichiendako.
Ane wake ndeane wake chokwadi takawana Daphne atovapo shangu
dzakabatirwa mumaoko. Anga agukuchira mudiwa wake akanga akurura
shirt.

"No it can't be him. Pano ari kudei nhai Dee?"

"Daddy aniko nhai? Please talk to me. Ndiyani wamaona Murehwa mava
kundityisa."

"Please tell me kuti haasiye please."

Akanga ava kuita seopenga tikamubatirana kupinda naye mu guest room


nedoor rekukitchen. Ndinoona vana dad managed to take care of the
situation nekuti takanzwa program yava kuenderera mberi. Derrick akabva
ati ava kupinda mutown kunotsvagira mukwasha hembe dzekupfeka.
Tachingopinda chete muguest room akananga pamirror hombe raivamo. My
sister was divasteted akatevera iwe zvikambundirana.

Fear and anger zvakanga zvaita kusangana on the doctor's face.....

37 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 4
Doctor Chris

Kurapwa kwababa vangu kwakava very successful. Mugoona muchinda


weku donater kidney haana kuzombonetsa. Akati haadi kana cent he was not
doing it for money but out of love. Worry yangu yakanga yava yekuti since
vakanga vaita default mapiritsi zvaizokundika here. Asi haiwawo pasina
mavhiki mangani vakanga vatova up and about. Ndakaona maturity
yakandityisa pamukadzi wangu. Baba vangu aivabata kuita vake chaivo
achiona kuti vadya vawana zvose zvavaida. Time yekunwa mapiritsi
akavasarudzira iye hanzi ndoda nguva yandinozogona kuvayeuchidza
kunwa mapiritsi avo. Grace akabva atotsvagirwa nzvimbo yechikoro form 3.
Ndaifungaka kuti achangonzi paNashvile kana pa Thornhill.
Ndakashamisika rimwe zuva ndichibva kubasa akauya matakanga
takatandara madad tichiona TV akafitwa kana ne uniform yeku Midlands
Christian College.

"Zvanzi mamaiguru ndizokuratidzai uniform yangu"

"Ummmm makachena vatete vevana vangu. I wish you all the best. Ndaizoda
mudzidze ndiripo but manje madam venyu havangaendi vega ku Canada
nevana. Ndotoenda navo asi ndinenge ndichidzoka here and there
kuzokuonai. I'm sure paunozopedza A level tinenge tadzoka zvachose."

38 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Baba vangu havana comment yavakapa ndakaona vongopukuta maziso.
Ndakati Grace adzokere kuna maiguru vake.

"Ko zvadii futi nhai dad?"

"Ndikati misidzi yemufaro ndinenge ndichinyeba chaiko. Kurwadziwa


chaiko kwete nekuti waendesa hanzvadzi yako kuchikoro asi kuti
ndakatadzawo kuita zvawaita izvi kwauri mazuva andaiva nemukana wacho.
Kwete kuti ndakanga ndisingagoni asi kutonyengereka chaiko. Ndinoziva
makunun'unu anobhadharwako kwamaisa mwana uko. Ini ndakatadza $5
yekuSandara kuAscot uko. I wish I could turn back the hands of time, I
would...."

"Ko ndoo zvadii nhai dad? Let's not dwell in the past inototivhurira maronda
anga ava kupora. Ngatiiteyi zvazvino, we are here now as a family.
Ngatisakanganiswai mufaro wedu nezvakapfuura. We were bound to pass
through that phase and I'm sure that phase moulded what we are today. Let's
think tichienda mberi kwete kugara tiri mu reverse gear always. Hapana
progress yatinoita tikadaro. Dai neniwo ndakada kutongwa nemifungo
yakadarika mungadai musiri pano nhasi. Asi ndotenda muroora wenyu
akagona kuona kuti takakosherana mumwe sekune mumwe and life is too
short kugara tichifunga zvakapfuura zvisina zvazvinotipa kunze
kwekurwadziwa ne bitterness"

"Dzinongova shungu mwanangu. Ndikafunga zvandaiva nazvo, imba


kuWindsor park uko, mota dzaiva sarura ude, asi nhasi ndangova ini,

39 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndakadzoka ndisina kana chekusimira ndatova mutoro chaiwo."

"Is anyone complaining? You can never be a burden to us dad. This is your
home. Muchasara pano and its just for 4 years tinodzoka. Tose tinotadza asi
chakakosha kuona patinotadza, admit and ask for forgiveness upenyu
hotoenderera mberi."

Takambokurukura mbichana vakazosimuka havo vava kuenda kunovata.


Ndakaenda Ku spare bedroom kwakanga kuina maiguru natete vavo.
Ndakasvika ndikamira zvangu pa door ndakateerera maiguru vachiraira tete
vavo.

"Tete life yenyu ndimi mwene wayo ndimi munoigadzira zvamunoda imi.
Kana mukaratidza kushaya hanya inongoitawo shape yamaipa imi.
Kukuendesai kuchikoro chinodhura uko hakusi kuti tine mari yakawandisa
asi kuti we want the best for you. Muchange muchigarako saka hapana
excuse yekuti " heee ndazofoira nekuti basa raindiwandira pamba ndaishaiwa
nguva yekuverenga." Ndoda kupesana nemi futi ini ndichidzoka from abroad
imi muchiendawo kunoita degree renyu. Vakomana havambotizi tete.
Chakakosha kutanga magadzirisa upenyu hwenyu kana muchiroorwa
mozoroorwa. Tarisayi ini pano ndakaroorwa ndisina kupedza chikoro now
ma responsibility ava dutu kudai uku chikoro chinoda kuendwa. Saka moita
shungu vatete vangu we are here to support you 100%."

"Maita basa maiguru handizivi kuti ndokutendai neyi. Ndakanga ndatoti


zvechikoro zvakona ini asi Mwari vandirangarira. Maita basa maiguru"

40 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Kutenda koga kwamungaita tete kushanda nesimba and make me, your
brother and dad proud munenge mapedza. Pasina izvozvo munenge muine
chikwereti chakakurisa."

"I won't disappoint you I promise. Mwari vakuropafadzeyi."

Ndakazosvika ndaona ava kudonhedza misodzi and we both hugged her.


Ndakataurawo one or two words dzekumukurudzira nekusimbisa zvakanga
zvataurwa namaiguru vake. Akanga agadzirirwa kani ma uniform egore rose
achifamba ari 3-3 kubva ku summer uniforms, winter uniforms,a tracksuit,
ma blazer, shangu 3 pairs ma blankets ma sheets ma comforter, chiiko
chakanga chisipo. Aizotanga hake kuenda kuchikoro January asi zvose
zvakanga zvatorongeka. Takazosiya ava kuvata hake ndokuenda kubedroom
kwedu. Ndakanonoka kuvata ndichifunga zvakanga zvaitwa nemukadzi
wangu. Ndakafunga misodzi yababa vangu mushure mekunge Dee
agadzirira mwana zvekuchikoro. Ndakafunga kuti pandakamudumper
ndichienda kuCanada dai asina kushinga akati ndoenda kumba kwedu wose
mufaro uyu waizovapo here. I owed her big time. Takanga tava kugara
nemufaro wakapfachukira uye ndainzwa kuti handichatombodi hangu
kushaya mhuri yangu. Pandiri ndipo pavari. Dai zvaiita chero kuenda navo
kubasa to make up for lost time. 5 months dzandakashaisa mhuri yangu rudo
ndainzwa kuita se 5 years chaidzo. Ndainzwa ndiine chikwereti chakakura
chaicho.

Takanga tagadzirisana hedu asi ndaiva ndichiri kunetseka kuti Daphne


akanga asati anyatsosununguka pane mamwe ma areas, like pamota chaipo
ndakanga ndamudzosera Benz yake kunyangwe zvangu ndakanga
ndamboita hurongwa hwekumutengera imwe mota yekumuti sorry
ndikazohumisa hangu nenyaya yekuti takanga tava nehurongwa
hwekumuperekedza kuCanada, saka taizongozviita tadzoka after 4 years,
manje pose paaida kushandisa mota waitogara waona kuti pane chimwe
chinhu chaari kuda asi achishaya masvikiro, wozonzwa pava paya "

41 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Murehwa ndanga ndichukumbirawo kumbobuda nemota." Chero ndisipo
chaiko aitotanga aisa message yekukumbira mota. Tanga tisati tatombowana
mukana wekutaura nezvazvo nekuda kwezvanga zvichiitika uye ma cards
chaiwo anga asati amatambira. Ndanga ndava ne 2½ months ndadzoka
kuCanada and kana ndichitondera zvakanaka akanoita shopping yake
yegrocery twice asi hapana paakambokumbira ma cards kuti ndodawo kuita
shopping. Dad vangu vakatengerwa wardrobe yose kusvika kuma brief
chaiko ndikapiwa kuti ndivape kuitira kuti vasazonyara kuti vatengerwa
nguwo dzemukati nemuroora. Hanzvadzi yangu akatengerwa nhumbi apa
anga atsvagirwa nzvimbo pachikoro chinodhura, ndakaona ma receipts acho
yaiva $2600 local currency then US$200. Ma uniform ese anga avapo chasara
kungoti zvivhurwe agoenda kuchikoro and zvose hapana
paakambondikumbira mari. And yakanga isiri transfer ka iyi mwana anga
akagara asingaendi kuchikoro and ma formal schools mazhinji havatori.
Ndaitoti kuda achaenda kuzvima private college mutown ukoka chero mai
vane mimba yakuda kuzvarwa kana sekuru vachena musoro chero rasta
vakarohwa nembanje vanongotora so long cash. And I wondered kuti
akazviita seyi kuti awane nzvimbo yeboarding futi zviri so easy.

"Ndakashandisa ma previous reports atete and they were impressed.


Ndakavatsanangurira situation yaivapo yakaita kuti vamire chikoro
vakanzwisisa. Pluswo neukama hwakanaka hwatinaho handiti ndini supplier
wavo wemazai saka vakangondinzwisisawo."

"Ko mari mai Jnr hamuna kana wani kutora card kuti mugadzire mwana
zvekuchikoro."

"Haaa daddy yanga iripo iyi. Ndanga ndichisevha kuti ndigotanga kuenda ku
college muna January saka ndiyo yandashandisa. Asi ndatadza here daddy?
Kana kuti ndamhanyisa hangu pamwe manga muine humwe hurongwa?"

42 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Kwete hun, ndanga ndisina humwe hurongwa asi kuti watora burden yose
yemhuri ino ko iniwo sababa ndobatawo papi? Ndodawo kufeeler kuva
responsible Dee but it seems hauchatombodi anything from me saka ndiri
kushandira ani nhai? Im beginning to have a feeling that I'm not fully
forgiven babe. Hapana kana changu chawakasununguka kubata and l feel
bad. Ndakakumbira ruregerero wani mukadzi wangu. Ndava kutoona
sekuti I'm useless hun. If it's a way of trying to prove yourself kuti you can do
without me babe zvakwana ndabvuma wani. Asi ndakadzidzawo from my
mistake and it can also be a very good lesson to you, no matter how rich or
popular one can be in life, you are weak without family. I'm nothing without
you guys and at one time you will realise kuti you will need your support
system, your family. Wakati wakandiregerera Dee but mota, macards haubati
which means uchiri nekurwadziwa. Ndiri kushandira imi guys
zvakakanganisika hazvo zvikaenda nepamwe asi I feel proud kana
ndichibuda ziya kuti mhuri yangu ifare. But zviri kuita sekuti
uchakandiramwira. Please mukadzi wangu ndinokumbirawo tidzoke parudo
rwedu rwepakutanga. I'm still there your husband and I promise you kuti
ndichava even better. Please mudiwa wangu I still want to be a part of you,
please"

Hayewa munhu wacho wandaitaura naye akanga akutochema uyu.

"Sorry Murehwa ndiregerereyiwo"

Ndiye Dee for you. Ndizvo zvega zvaakangotaura. Ndakabva ndamutora


ndikamuvatisa padumbu pangu akanyatsoti kwati kuita kacheche
ndichimupuruzira kumusana kusvika tabatwa nehope takadaro.
Munomboziva here kuti sex haisiyo yega inoita kuti muone kuti munodanana.
Ikoko kungovata henyu makamonerana kuita zvekutadza kuziva kuti gumbo
reumwe nderipi, feeling each others heartbeat and their warm breath is love
enough. Variko varimo mumamarriages vanoita bonde reduty, chibharo
chogachoga pasina intimacy, pasina connection, no communication, vapedza

43 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vopanana makotsi vakamirira next session. Ndakatozopepuka kwatoyedza
munhu ari kumakumbo kwangu achimutsa Murehwa vanenge vakanga
vatodaira vari kuhope nekuti vanga vatorova saruti. Ndaizodeyi nhayi
kungomuka kuhope ropa richitofashaira kare tsinga dzemuviri wese
dzatopinda mu gym. Ndakamubata musoro ndichipuruzira ndakateerera
mhamhatsi dzaindinanaira muviri wese.

"Morning madam, ummmm"

"Hmmmm"

Ndiko kudaira kwaakaita ko handiti muromo anga akabovera sausage here.


Ndakazogarirwa paya zvisina kana dzungu zvipfuva zvedu zvakanamirana
miromo nayowo ichidyanana. Kaiva unique kani ka session kacho
ndichikurungwa porepore ndipo pandakabvunzwa kuti "marara seyi
daddy?" Kutoita nyaya zvedu dzaipota dzichiiswa ma punctuation avana
"ummmm" ,"oooouch", "yes babe ummmm".

Takanakirwa for more than 30 minutes and how I wished it would go on and
on but ndaifanira kuenda kubasa. Iye hake akanga asati atanga kuenda
kushop kwedu aingoenda here and there zviya zvechinguva chiduku asiya
vana odzoka. Apa ainyatsoti akanzwa zvoda kundiipira osimukira mhepo
yomborova odzokera. Ndakazomubata nemuchiuno ndakamufasira pandiri
ndikachimurova ndichibva nepasi. Tose takanga taibva hedu kare hazvina
kutora nguva takanga tatoteurirana tea. Muto chete mudzimai wangu aidira
ndakaunzwa kudziya uchiyerera nekumatennis bhora uku ndokumboti
zororeyi hedu takadaro.

Ndakazogadzirirwa kuenda kubasa zvangu uye semazuva ose dangwe rangu


raindiperekedza kusvika kunze kwegate ndobuda mari ye icecream ndokuti
azoburuka mumota ini ndoonawo kuti adzokera mugate ari safe gate
rovharwa.

Dad vangu nguva zhinji ndaizonyatsovaona ndadzoka kubasa chandaingoita


kumuka ndonovamutsa mu room mavo. Vaizomuka pava paya havo
vachinobata bata kuhuku nemugarden hanzi handidi kuvhiringana

44 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
naambuya vangu vachitsvaira.

Ndakanoshanda zvakanaka though kwaiva very busy kwaiva ne 5 madzimai


aienda Ku ceasor musi uyu saka cell phone kana pakadai ndinosiwanzodzima
then secretary wangu would attend to all calls pa landline. Ndakazoita phone
on kuma 3 chaiko ndava kuda kuenda kumba ndakanga ndaneta. Ndipo
pandakaona message yemudzimai wangu veduwee yaakanga atumira kuma
10 ndofunga akanga ati nditaimire dad vari pa tea break izvo handina kana
kuiona break chero lunch yacho.

"�My love,

I'm sorry Murehwa nekuita sekuti ndatora maresponsibilities ese. Ndaitoti


ndiri kugona ini. Chokwadi ndechekuti ndaiita nemoyo wese ndisingaitiri
kuprover anything asi ndaitoitirawo to impress you kuti muonewo kuti I'm a
suitable helper. I'm sorry if I overdid it. I love you murume wangu and you
will always be the head of our family.

I'm sorry

Ahh ndakabva ndatorongedza ndikaenda kumba ini. Saka akanga aswera


zuva rose akabatikana chokwadi. Apa iye kana kumbozviratidza hake
nekamorning glory kaakanga andipa kuseni ndakanga ndatoti zvapera.

Ndakasvika ndikawana dad vakagara vega mu living room na jnr


pamakumbo. Ava vakanga vawirirana chose ava. Kukitchen kwaitonhuwirira
kubikwa Rue na Grace vakabudamo vachizondikwazisa vachibva
vatodzokera. Ndakanowana mudzimai wangu achiyamwisa vana
vachangopedza kugeza. This woman was good at confusing me. Ndaitarisira
kutambirwa nemisodzi asi kana zvake. Akatotsveta vana pasi ndikatambirwa
bhachi rekubasa nekubviswa bhutsu. Ndakatamba nevana vanhu
vaitodzvova kuguta akanovhurira mvura yekuti ndigeze. Akadzoka avakuda
kutora vana kuti ndinogeza ndikamupa sign yekuti agare pasi.

45 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Thanks mudiwa nekundipa assurance yekuti I will always be the head of this
family, sorry ndakatora nyaya zvisizvo kungoti semunhu akapotsa arasikirwa
nemhuri unenge pamwe wakungoona zvisipo. You are my suitable helper
Dee and I'm impressed. Zvakayanikwa pachena izvo hazvisi
zvekumbozvidambura kuti uzviratidze. I love you mai vevana vangu.
Kungoti ndangofeela sekuti hauchada kana changu chimwe hacho chauchada
kubata wava kungozviitira."

Takataura tikaayina nyaya yacho tikava nezvatakawirirana as husband and


wife zvatakaona zviri best. Macards akatora back ose zvawo. Makeys emota
aaisimbogarisa mupurse make akanga ava kungoti aka kumbira kushandisa
mota akadzoka omatsveta pa dressing table. Akamatora ava kuda kumaisa
mupurse make ndichibva ndakumbira kuti andipe. Ndakatora eBenz yangu
nyuwani ndikamupa.

"From now on ndiyo yauchafanoshandisa iyi kusvika ndakutengera iri nani."

"Ummm iri nani kupfuura iyi here asi inenge yatova ndege hayo?"

"Kana ndege iriyo yaunoda ndingashingirira mudiwa. You deserve the best."

Mari yaakandipa $20000 ndakanga ndakangoichengeta. We agreed

46 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kuishandisa tose and income yedu yose yaiwira mu one account and
sepakutanga she was our family accountant. Handina kumboita dambudziko
naye hangu kubva nakubvira she was responsible and always accountable
pose paanoshandisa mari. I never doubted her ability on that kungoti mhepo
dzinongosimukawo ndakanga ndoda kuzviparadzira mhuri yangu nekuda
kwe $50 shuwa dai aitombova ma US$ zvainzwisisika. Apa mari yacho
yaitoshanda pavana vangu futi.

ML takabva tatowirirana kuitengesa ini ndaiva nadzo mota dzakawanda


dzekushandisa. Dad akandionesawo kuti tivapewo imwe mota yekushandisa
vagone kusunungukawo kuwaya waya. Takabvumirana kuvapa Ford Ranger
kuti ibve yaita yavo zvachose. Dad veku Delsford ndakanga ndavapawo
Hilux. Vaiwirirana madhara acho vaitombouya vachitora Murehwa
vombobuda nemota. Mudzimai wangu aiva star chaiyo pakubata hama
dzangu zvakanaka ndakanga ndisina kana chishoro. Ndakatosarawo
nechitsvambe kuti ndiitewo the same kwana tezvara vangu. Akanga
andigonera Dee akafukidzira utera hwangu otherwise ndaishaya masvikiro.
Pakataurwa nyaya ye family get together and thanksgiving ndakabva
ndatoona uriwo mukana wekugadzirisa madhaka andakanga ndazora
pamanyaradzo aambuya vangu. Ndaiti ndikafunga kahunhu kandakaita
ipapo ndaizvinyarira chero ndiri ndega. Ugoona vana vandaisimudzira
mhepo kudaro ndivo vakanga vatova vepamoyo. Ndakakumbira kutakura
mutoro wese zvawo wezuva ra 25 December ratakaonawo zvakafanira kuti
tibve taitawo farewell yedu tichizoperekedza mama ku Canada. It wasn't
much hazvo in terms of mari yaizoshanda ipapo asi rairatidza kuti richava
zuva guru, paizoungana mhuri yose zvayo pasiri parufu asi kuti pakufara,
saka kumiramira kwanguwo pachiitiko chakadai ndakaona iriyo imwe
yenzira dzekutora back my status as the one and only darling son in-law of
the family uye the best friend kunana tsano vangu. Ndakati handinga
kundwi na Daphne mwanana kwandiri akasvika akaita a superstar mumhuri
akasvika achiita the only daughter wababa namai Muzambi, akaita Murehwa
vekunovhomora vava halfway kudzika havo six feet dzavo and reunited him
with his one and only son. Kubva ipapo ndakaita zvekuti baba namama veku
Lundi Park vazvione kuti mwana komana wavo mumwechete oga adzokera
muform.

Ko ndini ndaiva mwana mukomana wavozve ndakachinjana na Daphne


achinoita mwanasikana kwedu. Vana tsano vakanga vava vanakomana
kwana tezvara vavowo.

47 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakaronga zvinhu zvangu ne one day ndikapedza ndikazorora hangu. Ko
handiti kwaingova kubhadhara mari here ndoudza vanhu zvandinoda.
Ndakaudzwa kuti the theme of the function was strictly traditional. Saka
events planner ndakagara naye pasi ndikamuonesa kuti even the deco had to
be traditional. Caterer ndakamuudza the same asi takazongomuudza kuti
ne a bit of tuchirungu kuitira vana vedu ma salad vaizogona kutadza kudya
sadza re brown. Vandakaona vasina problem vana vatsano veku Chivhu. Doc
Jnr vaitokuudza kuti "handiti mama" vachiita face sevanonhuwirwa. Kutaura
anga ozama hake anga akukwanisa 1year 8 months saka he wasn't bad.

Vanhu vaindityira kani ndaingobvunzwa update vasingazivi kuti ndakanga


ndapedza kare. Mudzimai wangu ndiye akagadzira menu yemusi uyu.
Pavainetseka vanhu kuda kuziva kuti ndaiva papi nekugadzira function ini
ndakanga ndatopedza kare zvangu ndatova busy kugadzira zverwendo
rwangu nemhuri yangu. Mr Burner vakafara veduwee pavakanzwa kuti ndiri
kudzoka kuzorenewa contract kutanga kwa January. Vakafarira kuti
ndaizoenda nemhuri yangu ikoko. Akafara zvekubata denga ndimainini Rue
patakavaudza kuti taienda navo kuitira vana. Akadonhedza misodzi
yemufaro chaiyo. That was the best way yataigona kumutenda nayo for a
great job yekumira nemhuri yangu ndisipo. Takazvironga takadai, dad
taivatsvagira munhu wavaizosara naye pamba ipapo ku Riverside since
Grace aizenge ari ku boarding school. Kunyangwe dad vangu vaizezesa havo
panyaya dzema dress asi we had no choice. Vaitoda munhu wekusara naye
achionawo pamba. Maid ndiye aitoita apa kana vakaita upenzi zvinenge
zvava zvavo kana vasina kudzidza kubva kumamistakes akanga avaendesa.
Chero iye aiuya .kwaitova kumubudira pachena kuti munhu wauri kusara
naye murwere kana achinyengereka zvinenge zvava kwaari. Zvaizotiitira
zvakanaka dai taigona kuwana munhu wechikuru. Rue aimbosara achimirira
kusiya aregister A Level yake ozootevera amboonesawo mushandi mutsva
aizosara pamba. Akamboda kutya hanzi " ndozozvigona here zvekukwira
ndege ndiri ndega."

"Chinhu chese chine mavambo mainini. Sis venyu ipapa kutotanga kukwira
ndege havasati vamboikwira. Tichangoona kuti takutsvagirai munhu
anonosiya akukwidzai ku airport. Muchaona kuti hazvimbonetsi"

Aizongotsvaga syllabus guide chete mabook ake otakura onozviverengera

48 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ega kumberi sezvaakangoita paakanyora O Level. Kana nguva yekunyora
yakwana odzoka hake ozonyora.

Dad vakamboratidza kuva uncomfortable kusara pamba pemuroora vari


voga asi he had no choice vaiendepi unless kana vaida kunoita havo squatter
zvakare ku epworth. Asi patakazotaura zvekutsvaga mukomana aizosara
achipota achiuya kuzotarisa huku dza mai Jnr vakabva varamba vakati
vaizozviita havo ivo.

"Ko ndinenge ndichiita basa reyi hangu. Ndinosara ndichiita. Vanongondipa


account number ndopota ndichiisa mari dzavo. Musazvinetsa henyu
nekutsvaga munhu."

Takabva taita sekudaro. Mazuva akazotevera ndivo vakanga voita ma


deliveries ose handiti mota vanga vava nayo here. Tikatoona kuti he was
good at it. Muroora akabva anzi asachabata zvezvipfiwo negarden.

MAzuva akafamba mutambo wa 25 December uchiswederawo. Huku


dzaizobikwa pamutambo ndivo vakato suggesta kuti titenge dza Daphne ma
road runner. Ndakanga ndisina kumbozvifunga. Dzakanga dzawandisa
zvekuti 100 dzaidikwa dzainyatsokwana.

Musi wa 23 zvinhu zvose zvakanga zvava set zvekuti 24 taizongoona kuti


zvaiswa panzvimbo. Matents ndakahaya 3, rimwe raizoita re catering
rekusevhera. Ndakatombopinda mutown ndichiita followup kunoona kuti
zvose zvaiva zvava in place here. Pandakadzoka ndakasvika mai Jnr vachiti
tete vavo vakanga vakumbira kuenda kunotambira Christmas ku Harare.

"Zvanzi na tete ndokumbirawo kunotambira Christmas ku Harare ku


Epworth kuna mother vavaigara navo. Hanzi vavafonera vakati vanenge
varipo pamba pavo havana kwavari kuenda."

49 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Eish ndakanga ndatokanganwa nezvavo ini. Apa ndakanga ndavavimbisa
kuti ndaizopota ndichivapa update yekuti murwere wavo akadii. Kana ne
etym yandakanga ndavimbisa kuti ndaizopota ndichivatumira
ndakazvirivara kungoti zvakazondiwandira. Grace akati aipota achitaura
navo hake akanga atengerwa imwe phone na maiguru vake.

"Ko nhai daddy ko vakauya tikazotamba navo Christmas kuno vozodzokera


havo. Pane kuti tete vaende ikoko."

Akabva avafonera achivaudza havana kuramba havo. Takabva tatovaisira


mari yebhazi pa ecocash yekuti vagomuka vachiuya. 24 December 8am
ndakanga ndatova pavatezvara. Vakashamusika nemarongero andakanga
ndakaita zvinhu. Ivo vaingoti kuda kungoungana sehama neshamwari chete
vanhu vachionana varoora vachibika pamba ipapo. Zvese zvematende
vakanga vasina kumbozvifunga. Vana tsano nemadzimai avo vakasara
vosvika isu vana vepamusha tatovapo kare nemukadzi wangu tose takapfeka
ma work suits tichiita basa. Vakazongoita havo mucheka dzafa sevanhu
vakanga vasvikawo panzvimbo. Daphne akazombobuda achinotambira
mother vakanga vafona vachiti vasvika nekunovasiya kumba ndokuzodzoka.
Maguests ekure akanga atotanga kusvika. Vana tete vaambuya vangu veku
Bhuhera ndivo vakatanga kusvika nemurume wavo wandakabva ndaziva
zvekumuona pa TV akanga ari MP kunzvimbo wekwavo ikoko. Vana
ambuya va tsano Derrick vakanotorwawo ku airport uye vana tezvara va
tsano Dillan vakasvikawo nemota kumazuva rovira. Mufaro wakanga
watotanga. Paiva na tsano waana tsano vangu vaitoita sekuti muningina
wavo. Vaiwirirana zvakanyanya. Ndakazoseka ndabvunza Dee kuti nemhaka
yeyi vaimudana kuti "mainini Cliff" vakandiudza nyaya yake pavakanoroora
mudzimai watsano Derrick. Chero neni hatina kutombotana kujairana akanga
atovawo pabasa achibvunza kuti oiteyi. Wakamutarisa waiti musalad hapana
zvaizikanwa asi aishanda zvakatondishamisa. Baba vekuKwekwe navowo

50 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vakauya a day before kuzobata nevamwe kunyangwe vakanga vakagara
havo mumba nevayenzi vana tichiita basa panze. Varoora vepamusha vose
vakanga varipo vakamonera mazambiya nemadhuku vachimirara
vachitungamirirwa na mama Agah vevanhu kkkk vaipota vachizotorwa na
mudhara vachinzi siyayi vana vaite asi waingoti pasina nguva woona
vasvova vadzoka futi kuzopa ma instructions. Ndaidada nemudzimai wangu
nezera rake respect yaaipiwa savatete vepamusha ndakatoona kuti chokwadi
ndakanga ndoda kukanganisira mudzimai wangu. Vanhu vose vakavata
pamusha apa asi isu takaenda hedu kumba kuitira kuti bedroom ratakanga
tapiwa ripiwewo vamwe. Plus kumba kwaiva nemweni zvaisazoita kuti vave
voga. Vakanga vakafara veduwee nekuratidzika kwaiita dad uye tete
vevanhu vakanga vava kuita semukaradhi. After supper ndakashamisika
mudzimai wangu achiburitsa madress maviri e African attire nema shirts.

"Izvi ndaita kugara tailor bhamba kuti apedze. Ndezva dad na mother vauya
ndaona kuti vangazofeela out of place vasina kupfeka zvinoenderana ne
occasion. Size yamother ndangobvunza tete vakandiudza body yavo."

Zvakanga zvakasiyana hazvo ma colours neshirt yadad asi zvakanga


zvakanaka. Isu zvedu zvaiva zvakafanana ma colours and mati kufitwa ikoko.
Shirt yangu yakanga yakasonwa zvakafanana neya doc Jnr. Kozoti pfuma
yangu twakatengerwa na skin jean ndokuitirwa tumatop netuma alice band
twemusoro ne mucheka wakanga wasara. Iye akabva akotesa handbag
neshangu dzake refu refu ne mucheka wakafanana ne hembe dzedu. Haiwa
zvakanga zvakarongeka kani.

Akadanawo mainini Rue natete vevanhu vakanga vasoneserwa maskirts


asina kureba aiguma pamabvi kumberi asi akaita sekurembera kumashure
netuma body top twe black twaiva nemaoko marefu tuchitevedza muviri.

Zuva guru rakasvika hatina kunyanya kumukira hedu sevanhu vakanga


varonga zvose vakapedza tikadzosera program mumaoko emahosts chedu

51 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kwaiva kuronga chete. Takaenda ne ML ndiyo yatainyatsokwana tose
zvakanaka. Haiwa pakanga pakachenewa kani vana tsano vangu vakaita
vana oga chaivo nezvi hat zvema Nigerian madzimai avo achimechawo
akaitawo mapatya. Mai vamai Chichi nemuroora wavo mudzimai wababa
Cliff ndivo vakapedzera munhu wese vakapfeka sema swati nema top
akaitwa colourful beadwork kumusoro ne headgear dzacho dzakaita kunge
vakasenga tswanda dzakagadzirwa nezvuma. Hapana akanga akarasika
dresscode kunze kwaambuya vangu vekuKwekwe vakazoita havo grand
entry. Naivowo was dressed to kill asi vakanga vakarasika pa African apo.
Asi kuita sa Queen Elizabeth asi vaiva off topic.

Mutambo wati fambe ndakazombofonerwa ku hospital kwakanga kwaita


emergency. Handina kunogarisa hangu ndakadzoka time ye lunch. Pane
BMW ye black yaivapo pakanga pakamira maguests andisina kuziva vakanga
vakandifuratira. Paivawo natezvara vangu namama nana tsano vangu.
Ndakati regai ndinosvikapo ndinzwe kuti program yava papi. Ndakaita
kunge ndarohwa nemheni nezvandakaona. Bla Zex!! Hameno
zvandakatanga kunzwa mumuviri wangu ndikanzwa zivanga raiva
kumusana kwangu kusunga. Picture yemusi wandakapotsa ndasiya nyika
yakadzoka yose mandiri kuita fresh chaiko. Handizivi zvakazoitika ipapo
kana zvandakataura ndakazoita zvekuudzwa pandakazogadzikana ndaiswa
muguest room. Ndinenge ndakatombopenga chaiko dzikazodzokedzana.
Ndipo pandakagona kuzotsanangurira vanhu zvakanga zvandivhiringa
vakapererwa kuti its a small world shuwa. Vakandiudzawo kuti akanga
asvika apa seyi.

"Its unfortunate kuti haachatomborangariri zvakaitika back then tsano. But


aenda hake haasisipo."

"Yahh chete chinokanganwa idemo asi muti watemwa haukanganwi. The

52 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
trauma that he caused me unknowingly was still hidden inside me. Anyway,
I'm sorry nekuvhiringa mutambo vana tsano"

"Haiwa musambozvinetsa tsano. Very few noticed zvaitika paya and dad
managed to cover up. Saka musatombozvinetsa henyu. Chichinjayi henyu
tibatane nevamwe lunch ichiri kusevhewa."

Vakabuda ndikasara ne mudzimai wangu akanga abaiwa nekuchema. We


freshened up tikaenda kune vamwe. Very few vakatitarisa kuratidza kuti
tsano vairevesa kuti vazhinji havana zvavakaona. Takapindawo mu que
vanhu vaizvisevha Vega paiva ne variety kani waingotirawo zvaunopedza.
Sadza rezviyo neremhunga kozoutao Jena, rice rine dovi nerisina, ma road
runner uye madhadha akauya na tsano kubva ku Chivhu, miriwo ine dovi
variety kani, music ichirohwa vanhu vachidya. Takazotorwa nana tsano
tikanointroduswa kuna tsano Reginald vakanga vauya naZex na mai vavo.
Ndakanga ndamboinzwa hangu nyaya yacho na mai Jnr yababa vamainini
Nyasha. Ahh vakanga vakachena mbuya va Nyasha vakanga vafemerwawo
vakapfeka traditional attire. Ndakazama kutarisa paparty apa hapana akanga
akachenerana navo. Dai aiva makwikwi mukombe vaitora havo. Tsano vangu
vanyuwani ava vakanga vakapfeka havo simple. Vakanga vatozivana kare na
Daphne. Ndakazobva hangu ndikasiya mhuri iripo vachikurukura. After
lunch vanhu vakatanga havo kupararira. It had been a great day chokwadi.
By four kwakazenge kwasara vemhuri chete, mhofu vekuKwekwe ne
mudzimai wavo, mhofu veku Lundi ne babe ravo, vana tsano vose nemhuri
dzavo, tsano Reginald namai vavo vakanga vachirupo, vanga vakangoisa
mwana wavo muhapwa chaimo mainini Nyasha, she was loved zvaisamboda
kuudzirwa, ndakanga ndambozevezerwa na madam kuti tsano Reginald
vakanga vasingatodi zvekuva pa party apa vaiti vakanga vangoperekedza
mai vavo asi vakatozoita zvekunyengererwa nana tsano Dillan. Tsano Cliff
vakabva vatosara havana kuenda pakaenda vabereki vavo. Vanga
vawiriranawo nana mainini Rue naGrace naJane maid waana tsano Dillan.
Takazotirawo mukana iwoyo kuoneka mhuri nekuti musi wa 3 January
taibhururuka takananga ku Canada nemhuri yangu yose kuperekedza

53 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
madam vaienda kuchikoro. Vangu vese vakafara vakatimbundira nemufaro.
Ndakazoona mhuri yamirazve vana mhofu vari vaviri nemajaya avo matatu
uye mama Agah kkkkk, ko handiti ndiwo madanirwo avaiitwa here, kozoti
mai va tsano Reginald na tete vemusha maMpofu. Handina kuendapo hangu
ndakati vamboita nyaya dzemusha wavo. Ndaitotamba namainini Nyasha.
Ambuya vekuKwekwe ndakanga ndangoona vapinda mumba vakanoti nyaa
varimo vachizvibvisa pane vamwe. Ndakazoona tezvara vekuKwekwe
vachifamba kuenda mumba vachitaura pafon. Ipapo ndipo pandakaona
Grace achidanira maiguru vake padivi ndikaona vouya pandaiva.

"Mainini Rue hanzi vari kuchema vari kuseri kwemba uko havasi kutaura
kuti vaita seyi"

Takaendako zveshuwa tikanowana vachichema zvaipisa tsitsi tsano Cliff


vachiedza kuvanyaradza. Tichizama kunzwa kuti mainini vaichemei Nyasha
akauyawo achimhanya hanzi

"Bamukuru hanzi mhanyai kuno izvozvi mhanyisayi"

Fear yaiva pachiso chake yakangondiudza kuti hakuna kumira mushe.

Ndakatanga kuona vana tsano vangu vachikakaritsana nemadzimai avo


vachibuda panze.

Zviso zvavo kuita mbada chaidzo.

54 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Ndoda kuvauraya nhasi vakajaidzwa stereki."

Tsano Reginald vakabuda vari bara vachinanga kumota kwavo vakanodzoka


vapfeka dustcoat re white neturusi dzachiremba. Ndipo pandakazoziva kuti
ndidoctor. Murehwa na baba Muzambi ndivo vakazobuda vakatakura Mhofu
vekuKwekwe vakanga vabviswa shirt. Haiwa waisavatarisa ruviri.....

55 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 5
Mhofu Snr (Dhanyere)

Chandakadzidza muupenyu ndechekuti kana munhu akadzidza the hard


way kashoma kuzobva pachidzidzo chacho. Ndakadzidza zvakawanda ini
kunyangwe zvizhinji zvacho pa ndakazoita come back to my senses zvakanga
zvava beyond repair. 1. Never look down upon a human being nekuti
hupenyu hunogona kushanduka any second 2. Upenyu ivhiri hunotenderera
hahurambi hwakazorora nedivi rimwe 3. Try by all means not to cause pain
to a fellow human being nekuti what goes around comes around. 4.Never let
your relative beg you for something chaunogona kungomubatsira
nacho. Kwandiri zvakaita sekuti mutauro wekuzviitisa unogarotaurwa
nevakawanda kuti ukaroora kana kuroorwa unobva wahakira hunhu
hweumwe wako. Ndinoti ini kuzviitisa nekuti ko seyi ruzhinji kuri
kungohakira zvakashata zvoga kuhakira zvakanaka kuri kushoma. Zvakaita
sekudai pakashaya vabereki vose ini ndakanga ndaita rombo rakanaka kuti
ndinge ndapedzawo chikoro ndava kushanda basa raibhadhara zviri nani.
Munongozivawo kuti mari nevakadzi zvinodyidzana zvakanyanya kana
ukasangwara unopepuka wapera. Ndiko kazhinji muchiona munhu anova
very faithfull kumkadzi wake kana vasati vava nemari zhinji asi painongouya
anobva anzwa kuti dai ndaita vaviri vatatu kana kupota hangu ndichinoita
vekuchinjanisa se underwear. Pandakazotizirwa nemwana waboss vangu
ndakanga ndatokwanisa kuita establish a company yaigadzira ma bearings
uye kutengawo imba kunzvimbo inogara vanhu vashoma muGweru.
Takangosangana pa party tikashamwaridzana zvezuva iroro. Ini ndakanga
ndatotapirirwa hangu naye plus naiyewo ndakaona ma moves ake kuti
munhu akanga atapirirwa namuseyamwa handsome. Ko charm ndipo
pamusha zve dai yaitengeseka ndaitokita imwe yekuhodhesa kuvhura iri
wholesale chaiyo. Zvino munongozivawo charm plus mari zhinji maresults
acho are deadly kana ukasangwarira. Ko you can get any woman you wantka

56 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
and not just women but very beautiful women. Sevanhu vaiva pa party
takafarisa zvekunwa kusvika tarasa hunhu and after some days ndakanga
ndatopara mhaka mwana wevaridzi ava nepamuviri. Zvanga zvichaenda
nepi ndakabva nda tomuroora ini. Munin'ina wangu ipapo akanga ava kuita
form 3. Ava vaviri havana kumbogara vawirirana kana nepadiki zvapo
nekuti maiguru vaiti muningina wako ari too demanding. Iyewo Douglas
wacho aiva akanyararisa chero ukamutsiura kana kumubvunza akanga
asingambodairi kana kungoti "sorry mkoma kana ndakanganisa." Ma
complaints acho akaramba owanda kusvika pandakazobhowekana ndawana
mudzimai wangu achichema kuti bamnni vakanga vati anofamba akashama.
Ummm apa ndakagumbuka handidi kunyepa ndikasvika pakumurova
chaiko. Kuzoona kushama kwemukadzi wangu kureva kuti kwaiva
kumuchivaka. Maziso ake aitsvageyi kose ikoko kwakanga kwakashama
ikoko. Ndiko kuparadzana kwatakaita na Douglas nekuti akabva atobva
pamba akangonyangarika akamuka asimo muroom make handina
kumbomutsvaga ini ndakangoti kana azonyatsotambura achadzoka hake. Ko
handiti ndini ndega hama yake yaaiva nayo. Kutozviitisa kubva pamunhu
anogona kukubatsira uchida kuita street kid. Ndakatoti good riddence ini
imwe mari yaitambisika tanga tozvidyira hedu. Dambudziko rakavapo
pakuti ndiye akanga achita mabasa ose epamba kusanganisira kuwacha
nekubika manje yanga yava disaster chaiyo nekuti ndakatozoona kuti madam
vekwangu disaster chaiyo hapana zvoozikanwa. Pakazvarwa mwana ndipo
patakazotsvaga maid wechikuru akagara nesu. Douglas ndaingonzwawo
nevaimbosangana naye kumayard kwaaishanda sa garden boy. Madam
vangu vakatondivhura meso vakati ndiko kukura munhu achidzidza
kuzviitira zveziya rake ndiko kuti ave responsible. Ndakazombonzwa kuti
akanga aenda kumakorokoza kunochera nevamwe. Iye anenge aitoitawo
zvekundi avoida nekuti ndaingonzwa kuti vamwe vasangana naye ini kana
zuva rimwe zvaro randakambonzwa hwema hwake. Kureva kuti zvaimufaira
chose. Ini life yaindifaira chose nemhuri yangu. Ndakanga ndatojairawo
kalife kepamusoro kaidikwa namadam vangu. She could host a party every
month achikoka mabhururu tichifara zvedu. My wife loved travelling and
shopping. Vaigona kungoenda out nemafriends ake kutokwira ndege kunoita
shopping ku South Africa kana ku Mauritius kana ku America chaiko. Yes we
could afford that. Asiwo zvaitipa kuti tiite nguva shoma tiri pamwechete.
Ndakatozongozvijaira hangu kuti mudzimai wangu ndewekuenda nenyika.

Kubva patakaparadzana na Douglas aine 15 years handina kuzombomuona


ini kana kuita hanya nekumutsvaga ndakangoti chava chigondora chava

57 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
chimombe. Mwana wedu wechipiri paakazvarwa ava ne 4 years mukadzi
wangu nguva zhinji akanga ava kufamba navo vachimboendeswa kuholiday
Ku Cuba most oftenly kwavaiti kuhanzvadzi yavo mwana wamaiguru. Vana
vaiuyawo vachitaura zva uncle vavo ivavo. Family yavo yose yakazowana
mukana wekuenda kuCuba. Ini ndaiva busy ne business rangu uye kurunner
business randakanga ndasiirwa na tezvara saka zvekutravella zvakanga
zvisimo mandiri. Mother vaitishandira vakazosiyawo basa vakasiya vatipa
hama yavo kuti itibatsire aiva musikana akanga achangobva kuchikoro.
Ndiye aiita zvose kunyangwe kurongedza mu bedroom medu kusvika
ndazokorovhera ndikabvumirwa. Kubva ipapo maid wese aiuya pamba
ndaitombo sampler chete. Ko ndakanga ndisingarambiki ka mari ndaiita
kudira. Ndakazodanana nemumwe musikana zvakare akanga asvika kubasa
kwedu achitsvaga basa raaiti chero rekutsvaira aida kuwana mari
yekukwanisira ma subjects ake. She was very beautiful mweya uya
weruchiva ukabata. Ndakanyebawo kuti handina kuroora ndokudiwa paya
ndikamuvimbisa kuti ndichamuroora. Ko vazhinji vanomitiswa ndizvo
zvavanenge vakaudzwaka kuti ndinokuroora. Ndakanoona vaaiti sisi vake
vaaigara navo kuSenga kuti zvityise aone hu serious hwandaiva naho.
Kuoma musoro kwaakanga akaita ndiko kwakasaka ndiite izvozvo
zvekunoona waaigara naye kuti aone kuti ndaiva serious kuti ndoda
kumuroora asi husisi hwacho hwaingova hwevanhu vaibva kumusha kumwe.
Vanenge vasina kufarawo sisi vacho kuti vakachengeta munhu mu one room
ovavigira mbozha kuti ndiye ati anoda kumuroora. She started mistreating
her kusvika abva pamba ndikanomutsvagira kwekuroja kuMutapa kwaiva
kudhuze necompany yangu yaiva kuma industry. Ndipo pandakawana
mukana wekukorovhera and ndiyewo akava wekutanga kuzvivhurira ndega.
Chero mukadzi wangu chaiye akanga akavhuriwawo kare. Nenhumbu
yakabva yabata ipapo mwana akati ndava kurongedza ndiuye kumba. Apa
madam ndipo pavanga vava kutangawo kuratidza kuva mature vasisanyanyi
kufamba nekutochinjawo kuita mai vari responsible pamba. Uyu akanga
akapusawo uyu ko seyi asina kudzivirira zvaiita vose vandainakirwa navo
vaiziva zvavanoita. And barika ndakaona risingaiti ini asi ndakamuti
ndaizomuchengeta chivande iye nemwana. Zvakamurwadza
pandakazomuudza kuti handingagoni kumuroora nekuti kumba kwaitova
nemukadzi nevana vasikana vaviriri akaita chiramwa akaenda ndikangotiwo
zvaita zvakanaka. Handina kuzombomuona kana kumutsvaga hangu
ndakabva ndakanganwa nezvake. Ndakazosangana na sis vake
vaakambogara navo vakanditi vakapedzisira kuziva aenda kumusha asi

58 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vakazonzwa runyerekupe rwekuti akanga aita vana vaviri vakomana asi
akaramba kutaura muridzi wenhumbu yacho neniwo ndikabva ndanama
wangu muromo. Vasikana vebasa handina kurega hangu kuseva asi
ndakanga ndoita ndakachenjera ko handiti vaizvidawo here.
Pakazongobhowa kwauya kacheche kakabva kumusha kasina kana
zvaizikanwa. Panga pasina kana doubt yekuti kaiva sealed aka nezera racho.
Haiwa aka ndakangoita kekubata ini kaida kuramba chii chakaiziva. Moyo
wangu wakazorwadza ndapedza ndipo pandakazotanga kufunga kuti ko ini
zvandaiva nevana vasikana ko vakabatwawo seizvozvo ndaizonzwa sei.
Akanga asina kwekuenda and my wife held her prisoner and abused her on
top of kurepa nenhumbu yandakanga ndamupa. Ma neibours hameno kuti
akazozivawo seyi and they threatened kusungisa munhu akazviita naivowo
vaitotikurudzira kuti tibatsire mwana kutaura kuti nhumbu yaiva yaani. Ko
aiva mwanazve Chiedza 14 years and jeri racho raisabudika zvekumhanya
apa tose namadam tainorumwa netsikidzi nenda tirimo muchizarira.
Takazorangana kuti tibude munyika nekuti zvanga zvashata. Apa mazuva
iwayo nekuda kwe politics zvainetsa kubuda tainzwa vazhinji vaibuda
vachinodzoswa kunzi dzokerai kunyika kwenyu. Upenyu hwanga hwaoma
handina kumboziva kuti kamwana kadiki kakadaro kangatipinza fear
zvakadaro. Takarangana nemudzimai wangu kuti tomuvhara kuti
ndamugamuchira kuita mukadzi wangu wechitwo uye ndaizomutsvagira
yake imba hombe yekugara. Apa taiitira kuita buy time tichigadzirisa ma Visa
ekuti titize. Zvakaticostira company yedu neimba to raise money yema visa
edu tose tiri 4 uye maplane tickets uye mari yekuti tinoita start up something
tavako. Chiedza hatina kumuudza isu takangoti tiri kuenda ku holiday
tinodzoka. Douglas ndakanzwawo kuti akanga adzoka kumakorokoza ava
kushanda ku ZimAlloys bhururu wangu ndiye akanga amubatsira kuwana
basa ipapo. Panguva iyi hameno kuti Douglas aigarepi nekuti sahwira
wangu akamboda kuti ndisiye Doug achigara pamba pane kutengesa
ndikangomubudira pachena kuti agere mushe dai aitambura akanditsvaga.
Manje kunyarara zvaifaya. Hatina kumuudza kuti Chiedza tichamusiya
pamba hameno muridzi akatenga imba aizongowanawo paine squatter
pamba pake. Ndiko kuenda kwatakaita Chiedza achingoti tiri tese. Takasvika
tikatanga business ikoko uye ndakawanawo basa raibhadhara chose. And we
decided kuti tichagara ko for good. Nhamo yekumusha tanga taifuratira isu.
Mudzimai wangu ndiye akapiwa mari yekuwedzera kuti tiite business redu
ne cousin yake iyoyo asi ndakanga ndisati ndasangana nayo yaigara in
another town. Ndakaita nguva ndichinetsera mudzimai wangu kuti

59 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
timboshanyira tsano kunotenda rubatsiro rwavakatipa uye ndivo vakanga
vanetsera kutora vana kugara navo. Mudzimai wangu ndiye akangotora vana
akaendesa kuna sekuru vavo ndikaona hangu pasina chakaipa. Iye ndiye
aipota achinoona vana ini pressure yebasa aiva ma1 nekuti sometimes
ndaishanda double shift. Zvakazoita kuti mwana akarwara mudiki and
ndakatozoita zvekunzwa vachitaura pa fon. Ndipo pandakazoendako naye
mukadzi wangu asi tsano havana kuratidza kundifarira zvavasina kugona
kuvanza.

Mazuva akafamba akava makore and zvaitifaira tiri kumarimuka. Takanga


tatova veko kutokanganwa nezviso zvavanhu vatakanga tasiya kumusha.
Ndakazoita sendicha fenda rimwe zuva ndichitumirwa message nemunhu
akati ndiri mwana wenyu ndinonzi Richard Samuriwo. Akandiudza zvese
gore raazvarwa uye zita ramai vake kuti ndisatomboita doubt ndichifunga
kuti i conman. And beyond any reasonable doubt ndakatoona kuti aiva
mwana wangu chaiye. Unfortunately ndakatadza kumubatsira achida mari
yekutanga business. Zvaitaurika here kumudzimai wangu kuti tava
kumbonokora mari mudura tichipa mwana waasingazivi akanga atova baba
vane ndebvu. Ndakabva ndatomu blocker ini ndikasiyana nazvo after all
ndakanga ndava ne new life chero citizenship ndakanga ndatochinja. More
than 30 years tiriko and first born yangu yakaroorwa ikoko nemurungu
ndikarwadziwa kuti ndaidawo mutema aizobvisa pfuma. Zvese
zvaingoitirwa kwasekuru vacho kwandiri vakatozongouya vachishanya
mwana wangu atokurirwa. Uyu mudiki gore raagraduater ku university
ndipo pandakazoona kuti rinemanyanga hariputirwi. Ndakabatikidza
mudzimai wangu red handed akarara newaaiti cousin yake. Ndikaudzwa
right in my face kuti ndivo baba ve my two daughters. Ndakazonomukira
kuchipatara and my wife akangouya akandipa mari yaikwana kudzoka
kumusha. Company yaiva muzita rabamnn Francis ndivo vaiva nemapepa
aivatendera kuvhura business mazuva iwayo. Chero dai yaiva muzita rangu
handifungi kuti ndaizombowana simba rekuenderera mberi ndakanga ndaita
kuchekwa nerakagomara. Ndakafunga mwana wandainyatsoziva kuti
ndewangu wandakanga ndashainira. Ko Chiedza wandakabata khakhi kuti
akazokwanisa kundiitirawo here mwana naiyo age yacho pamwe
akatozvitadza hake. Ndiko kudzoka kwandakaita kumusha ndichingoritaira
neka bag kenhumbi dzekupfeka. Kwekunanga ndiko kwakanetsa manje

60 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndakasiya ndatengesa imba. Shamwari yangu ndiyo yandakafunga kupotera
kwaari.

Ndakaudzwa the most shocking news.

1. Munin'ina wangu anga ava a business tycoon in southern Africa

2. Chiedza gave birth to twins again and anga ava mudzimai we brother
yangu.

Ndipo pandaizosvika here ndoti ndipeiwo pekugara ini ndakatadza kana


kumuendesa kuchikoro. Ko vana vava varume vane ndebvu ndovati ndini
baba venyu vakati ko maimbovepi?

Iye Chiedza wacho ndaitarisana naye seyi nhai?

Ndakaonda nezuva rimwe asi I had no choice but to face them. Kwasahwira
kwaisagarika asi hama yako haingakurasi especially vana.

Ndakaenda hangu ndikasvika zvakaoma. Imba yavaigara yaingokuudza kuti


paita varidzi vemari apa. Chiedza aiva ega pamba akatadza kana
kunditambira. Ndakamboda kushandisa chisimba chekuti vana ndevangu
uye pamba pemwana wamai vangu asi kwaitova kuwedzera peturo mumoto.
Dillan na Douglas vakauya ndatonzwirwa tsitsi kugara kuchimba
chagateman hanzi ndotyira mwana. Ko aizivazve ndisina tsitsi chero
kacheche ndaibvanyangura. But that was then ndanga ndodawo kuzama
kuita munhu kwaye ndigashirike asi zvakanga zvakaoma. Vanhu vese
vaifanira kundibatsira vaiva ne bitterness.

Ndakamboda kubhowekana ndichinzi ndigare ku gate nekuti ndaityirwa kuti


ndozobata kasikana kaigarapo. Ndakatomboda kubatwa nemweya wetsvina
ndonyatsoita zvavaindityira zvacho izvozvo asi marovero akaita hana yangu
ipapo ndakaona kuti zveshuwa ndakanga ndasarudza kusiya mabasa akaipa.
Zvakatozondishungurudza nekuti mwana iyeye akanga ava kunditya chero
ndikatenga icecream chaiyo kana masweets akanga asingatambiri.

Zvakatora nguva yakareba kuti vanhu vagone kundigashira and Chiedza


akasvika pakufa asina kundiregerera.

Asiwo mwana wamai vako ndewamai vako chete. Rimwe zuva Douglas
akauya ku gate kwandaigara akanditi ndinogara hangu kuimba yake

61 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
yekuKwekwe akandipawo mari yekuti ndinowana pekutangira. Ndakangoti
chero ikava way yekundisudurutsa pamhuri yake asi ndiwo waitova mukana
wekuti ndizame kubatanidza mapisi eupenyu hwangu hwakanga hwava
marara.

Ndakanogara mwedzi wese ndichifunga kuti ndoiteyi ndikazobuda


nepfungwa yekuita hardware shop. Ndakanohodha stock yaienderana
nemari yandaiva nayo ndikatosimuka kubva ipapo. Akashamisika muningina
wangu paakauya achiona business raiva nechiedza chose. Vana vangu
ndakanga ndazviudza kuti zviri nani vachingova nababa vavakakura
vachiziva pane kuda kuvhiringidza zvinhu zvanga zvakazvinakira.
Zvaitooneka kuti kunyangwe vakanga vasunungura moyo yavo asi
waitongoona kuti ndezvekumanikidzira. Wandakasaluta muroora wangu
aingotiremekedza zvakafanana na Douglas pasina kusarura.

Ndakatengerwa truck na Derrick patakanomirira vana Dillan vakanga


vachibva kuDubai. Ndinoona kuungana uku kwakaitirwa ini kuti ndigone
kuyanana nevana vangu. Ko vanobva ku honeymoon vaigomirirwa chii
chavaimirirwa. Pamusoro petruck ndakawedzerwa mari yekuhodha stock
yekushop ndikadzoka lorry yakarembera. Ndiko kwandakabva ndanamirana
na Dherira wangu. Iyi ndiyo yaiva shamhu chaiyo yakabikwa nemunyu
yandakarohwa nayo naMwari. Chake kwaiva kundidzosera kumashure chete.
Chero progress pabusiness yakaderera apa hama dzangu hapana kana
mumwe waaida. Hameno godo raairwa hake. Kwaiva kukonana nakukonana
chete and pandakambofunga kuti ndomudzinga ndipo paakandiudza kuti
ane pamuviri. Ndakanga ndati ndavawo netariro yekuti ndivewo nemwana
wangu despite age yakanga yafamba asi ndakazongodzoka kuSouth
kunohodha rimwe zuva ndikawana zvichinzi pamuviri pacho pakabva.

Kushop waigona kungowana atora mari yakawanda and zvinhu zvacho


zvawairatidzwa kuti ndatenga chero uchida kurova munhu waipera simba
kuti uti imwe yaiiswepi waizvishaya. Chaaida kurarama life yekucompeta
nemhuri yemuningina wangu asingatarisi kuti kusvika pavakanga vava
ipapo vakanga vafamba rwendo rwakadii. Ndakamuti rimwe zuva adzidze
kubva kumuroora wake mukadzi waDillan hayewa ndakanga ndaparira

62 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
mwana wevaridzi. Mavengero aakanga omuita chero poison aigona
kungomuisira. Ndakanga ndazviisa mujeri chaimo nekuti chero mafamily
gatherings mazhinji ndaisaenda chedu kwaingova kurwa chete. Apa aiita
seaimbogarwa nedhimoni chairo nekuti pakurwa chaipo aiita kunge munhu
ane dhimoni. Ndakatanga ndicharova neshamhu ndikapedzisira ndaona
kuti uyu ane shave rechirume better tiite zvekumirisana nezvibhakera man to
man. Ipapo zvakamuremera and she resorted to weapons. Ndakanga
ndongogara ndiri munhu wembonje after mbonje muchipatara ndakanga
ndozivikanwa. Takazombonetsana rimwe zuva ndawana adzinga vashandi
vangu vose vechidzimai aisa vake vanhurume chete hanzi muri kuactira
murume wangu. Apa akangotuta vakomana vemumaraini vaingogara
pamabhiriji vachisvuta mbanje ndivo vandakawana vazadzwa mushop
vatopiwa ma advance hanzi kuitira transport. Mbavha zvadzo dzawaiona
nemaziso kuti apa paita zvembavha. Takatangira fight kushop ikoko
ndadzinga mazidigong ake ndikavhara shop yangu. Ndatovata
ndakangopepuka ndikawana munhu akatosimudza banga achida kundibaya
zvekuti ndaigona kungofira kuhope. Ndakachekwa chekwa maoko aya
ndichiyedza kubvuta banga. Ndakadana muningina wangu akauya
kuzoyananisa. Iye aiva hake ne luck rekufambirwa nezvinhu zvake zvose.
Akanga azviwanira chimainini chigagairwa chakauya chichidriva benz
yaakatengerwa musi we birthday ne engagement. Wangu marujata haana
kuenda godo chairo, saka mota anga asati aiona neniwo handina kumbosvika
ndichimuudza ko akambenge aregereyi kuenda.

Vakabva vabhowekana futi arasha muromo ipapo. Ndakasara ndikakanda


zvinhu panze ndikamuti ndava kudzokera kunogara nehama dzangu. Ndiwo
musi wandakamuudzisa kuti imba yaaishainira mukoma wangu atishanyira
ndiye aitova muridzi wayo. Akaswera apora kupeta muswe chaiwo. Kubva
ipapo akamboita zviri nani. Zvakaitika zvakawanda sevanhu vakanga vajaira
kurwa asi akanga ati tyokeyi. Yakamboda kunetsa ndeya Nyasha
pandakaziva kuti muzukuru wangu. Pandakataura zvekutsvaga mbuya vake
pakaita hondo chaiyo kuwana munhu abata tambo yemagetsi kuda
kuzvisungirira. Muningina wangu ndiye akauya iwe kuzoyananisa
ndikamuudza pachena ipapo kuti ndava kumupa one last chance. Any silly
mistake ndainomusiya mumaoko emapurisa kuti aende kumba kwavo
achibva ikoko anything chaizoitika from there zvaizenge zvabva mumaoko
angu.

Vakomana wo vacho vakanga vati vachaita effort yekutsvaga mbuya

63 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vanyasha vakabva vangonyararawo. Ndaiona vakanga vava kuwedzera
kundionawo sababa vavo nekuti nhumbi chaidzo
ndaitengerwa.akambotumira zi suitcase muroora wekuJoni kusanganisira
dzamadam bva akatengerwa wacho ndiye benzi. Kana thank you haana kuita
asi kutoti yakatoita mhosva hanzi "muri kuita basa rekuudza hama dzenyu
kuti ndakashama."

Ndakangosiyanawo nazvo ini ndikatenda ndakazvimiririra. Pakazoitwa


hurongwa hwe family get together ndakadomboyedza kuti abatanewo
nevamwe varoora vemumusha kugadzirira. Mainini vakanga vatoti
akasununguka kuuya kuzogara kuGweru vachibatsirana kuronga zvikanzi
handina kupusa ini moti handioni kuti kuda kunondishainira chete.
Pandakaita sendinosaidhira mainini yoweee yakasara yava yangu hanzi kuda
kuti ndinoita week ndiri kuGweru unoda kusara uchinyenga. Hayewa uyu
akanga azondibuda manje ndakangotarisawo ini. Ndakanga ndazogeza
maoko manje ndakanga ndafunga kuzvidumper ini after all handina kana
cent randakamubvisira and kana hama yake yandaiziva. Ndakanga
ndagamuchira wani kuti ane mwana anoda kuchengetwa kunyangwe
ndakanga ndisina kumbomuona ndaingonzi ndipe mari nditumire mwana.
Manje ndakanga ndafunga kutaura na Derrick ndomukumbira hangu kuti
ndimbonogara kuSouth Africa ndichitsvaga zvekuita. Imba ndodzosera
kuvaridzi vayo shop ndoita clearance sale ndovhara. Mari yaiva kubank
yaimbondichovha yandaisevhera kutenga imba inodana ini. Ndicho chinhu
chandakagona kuita secret kuchipfukuto ichi otherwise ndaidai ndakaita
bhasikiti ra tizirai rinoti uku rinorukwa zasi richirudunuka. Kuparty kwacho
kwakanzi handiendi ndinorwara ndikaziva kuti inyaya yandakanga ndanzwa
pafoni munhu achipengera hembe dzaakanga a order kuDubai dzakanga
dzanonoka kusvika. Ndakanga ndaudzwa nemuroora kuti nhumbi dzedu
dzaivako mberi akatigadzirisira nekuti yaiva traditional theme. Ndakasiyawo
zvakadaro handina kuzombomuudza zvekuti nhumbi dzaiva mberi handiti
akanga ati haaendi here. Ndakaenda musi wa24 kuti ndinovawo part
yevamwe. Ndakawana mukwasha aripo aita zvose ari 1. Handina kuvanza
ndakamuudza mwana wamai vangu kuti "wakoropafadzwa."

Ndakapiwa nhumbi dzangu ndikashaaya chishoro dzakanyatsokwana. 25


December was the day randisingakanganwi. Chero dai ndaizodzokera

64 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kuchikoro ndakanonzi ndinyore composition yekuti "zuva
randisingakanganwi " ndainyora 6 pages. Pane pandaimbopota seri kwemba
ndonopukuta misodzi ndiriko ndichifunga makore ose andakatambisa
ndichirasha mhuri. Zvaiyevedza mhuri yakaungana iri pamwechete.
Yakasvika cab vanhu vese vagara pasi akaburuka mukadzi wangu akaita
kufa nekuchena dondo. Ndakapererwa ini achiti anoda $150 yekubhadhara
taxi yaakanga abva nayo ku Kwekwe. Ndakatozokumbira munin'ina wangu
kuti zvisanyadzisa. Aisvika aitofunga kuti ndiye guest of honor nekuti
mamwe madzimai ose epamusha achimira mira iye anga aisa magirazi
kumeso akazvigarira hake. Ndakambomuudza kuti aendewo kune vamwe
ndikapindurwa pfocho hanzi "ndakakokwa ku party kwete kuzoita basa"

Ndakasiyana naye ndikati ndingaita mhirizhonga pavanhu asi aizoriona hake


bhomba randakanga ndakamugadzirira. Program yaiti taienda ku lunch them
pozoitwa speech kubva kuma hosts then another one kubva kumukwasha,
vote of thanks vanhu voparara havo kuitira vaienda kure. Vana tezvara va
Derrick vainovatira kuHarare kuti vagobata flight ya 8 kudzokera Jo'burg.
Time idzodzo dze lunch ndipo pakapinda BMW yeblack. Pakatanga kubuda
rasta wandisina kuziva. Ndokuzobuda mumwe akanga akafanana nana
Derrick zvekuti dai vakanga vasimo mutende ndaitogona kuti aiva mumwe
wavo. Haiwa ndakachizoita sendichazviwetera aburuka munhu wandisina
kana kumboita zvekufuungidzira kana kufananidza. Makore akanga afamba
zvawo asi ndakabva ndamuziva Lilian Samuriwo. Ndakanzwa zvakawanda
ipapo zvekuti ndakanga ndati ndinofa chete. Mukanwa zvichidzika nehuro
zvakanga zvaoma kuti gwaa zvekuti ndakashaya kana mate ekumedza kuti
zvinyorovere. Mvura yaivapo pamberi pangu asi mabvundiro akaita maoko
angu ndakabva ndatomaviga pasi petable. Mudumbu makamonya zvekuti
ndakaona kuti kusimuka ipapo ndaiyeredza chete. Musoro waitenderera
nedzungu. Ndakashamisika ini vana Dillan na Derrick vachiratidza kuti
vanozivana nevanhu ava. Douglas nemudzimai wake vakaendawopo
ndikaona magestures aiitwa ipapo kuti paiitwa ma introduction muningina
wangu akambundirana nemukomana uya mainini vachimbundira mai vaya.
Ini ndakanga ndoita sendanamirwa pa chair. Chero pakasimuka vamwe
vashoma vachidongorera noise yaibva neseri kwe tende ini ndakatadza.
Vanhu vakazodzikamiswa food ikasevhewa. After lunch mahosts vakapa
vote of thanx vanhu vakatanga zvavo kupararira kukasara vemhuri vaigara
pedyo. Ndipo mukuwasha paakatora mukana iwoyo kuoneka kuti aizoenda
abroad nemhuri. Takadaniwa padivi ini namadam tikaenda pakanga
pakamira veni vaya nemhuri yose kunze kwevaroora nemukwasha vakanga

65 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vasipo. Maintroductions akasara opera marujata aridza tsamwa achifamba
kunopinda mumba. Ndakashaya pekupinda nenyadzi ndikaona mushure
mechinguva ndafonerwa kuti nditevere mumba. Ndakasvika pa table paine
poto yakati kureyi yakavharwa asi handina kuita hanya nazvo kuti ingava nei.
Munhu aiita kufemereka nehasha kuita kunge achaputika.

"Iyi yanga iri get together party here iyi kana kuti manga makaronga kuzoita
welcome mukadzi wako nemwana? Kana kuti manga mangoungana
zvekuzondisvotesa chete?"

"ko zvese izvozvo zvabva nepi nhai? Uchisvoteswa nani nhai after all wanga
wati hausi kuuya saka waisvoteserwa kupi. Usada kungotsvaga kuita
bongozozo rako rawakajaira handisi mumood."

"Hamusi mumood nhai. Saka regai ndikuiseyi mumood."

Yakasimudzwa poto yakanga iine mafuta ainyikinyira kuratida kuti anga


achikwata chaiko.

"Ini kana ivo mai avo hapana achazova newe"

"Ko zvadiiko nhai isa......."

66 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Handina kupedza kutaura ndakupirwa poto yose yemafuta. Dai ndisina
kukasira kuita action yekuvhika nemaoko poto yose yakanga yakananga
kumeso kwangu, asi ndakamanzwa kuti ariko akasvika especialy dama
rekurudyi zvichenda kunzeve. Seri kwemaoko zvichidzika nekumagokora
ndakanyatsonzwa ganda richierera richienda nemafuta, anenge akadirwa half
nekuti ndazonzwa mamwe okupirwa nepachipfuva achidzika nedumbu.
Chandakona ini chinouraya munhu i excesive pain. Ndakaanzwa marwadzo
achisvika kumoyo chaiko ndikanzwa kuti mweya wangu wava kuenda.
Ndakakoka simba shoma ranga rasara ndikascreama asi ndofunga vanhu
vakazvinzwa nekuti ndakazonzwa mavoices akawanda wanda asi
ndaimanzwira kure. Ndakanzwa mavoice maviri airatida kuti ari kutaurira
padhuze.

"Please fight mwana wamai vangu i know you are strong i know you will pull
through. Please woda kundisiya nani nhai Mhofu. Please just hang on......"

Pane aiti "dad be strong" asi handina kuziva kuti pavana vangu vatatu ndeupi
aidaro nekuti hapanawo wandairangarira akambobvira akambonditiwo dad
kunze kwemagora andakachengeteswa for more than 30 years. Kana ari
seuyu anga achangosvika aisatomboda zvekuvapo pa party pacho aida
kungosiya mai vake otoenda ozouya ovatora. Chero pandakati ndafara
kukuziva zijaya rangu akaramba akanyarara. rumwe ruzha rwaaivapo
yaingova zhowe zhowe randisina kunzwa kuti zvainzi kudii rakazoendawo
richi fader kusvika rima ranyatsonditi tiba......

67 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 6
Shumie

Mapatya paakabva ku Mvuma aiva nemufaro waitoonekwa kupfachukira


chaiko nekuda kwekusangana kwavakanoita nemukoma wavo. Ko uyu
akanga asiri wekumbojoinidziraka sekuti mwana wekwababamudiki ayewa,
aiva weropa chaiye. Waitonzwa chero matauriro chaiwo kubva vachiriko kuti
vanhu vane mufaro ava. Ndakakudza Mwari vanonzwa nekudavidza
minyengetero. Chandakadzidza muupenyu hwangu ndechesatombofa
ndakaita undermine the power of prayer. Ndakadzidziswa kuvimba na
Mwari nambuya vangu ndisina chandinacho saka apa ndavawo munhu
anoverengwa pane vanwe ndozobva pavari herebodozve. Takavaudza
Mwari vachisimuka kunosangana na mbuya vaNyasha chaipo saka Mwari
vakanga vatokura nzira nechekare kwanga kwangova kufamba nyore
mutserendende chaiwo. Chero pavakadzoka haiwa mufaro waipfachukira
mukoma ndivo vakanga vangova pamuromo. Taitodawo kuvaona zvisiri
zvepamapikicha asi zvisinei hazvo hanzi vakati vaida kumbotambawo
horidhe na mai vavo kekutanga. Ndakabatwa nemashoko ekuti hanzi
pavakanzi vauye vazogara pakanaka vakati vaida kumbonzwawo kuti mai
vavo vairarama seyi muimba yaiita seichavawira vavete. Zvataitya zvose
Mwari vakanga vatozvigadzirisa kare chakanga chasara ndechekuti varonge
kuti vazosangana nemhuri.

Mutoro wekuva mai pamusha wekwaMpofu was now a shared responsibility


umwe wakanga watapudzwa kubva pamapfudzi angu. God gave us a true
mother vaiziva kuti kunzi mai pamusha zvairevei. Mama Agah was a unifier,
she knew how to keep the family together in peace and in love, she had a very

68 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
big heart that could accommodate everyone, she was hardworking as well.
Patakabva pa 15 Marlvin nenguva diki diki panga patoita mamwe machanges
atakanga tisina kumbofunga isu like kudriller borehole since mvura
yaimbonetsa dzimwe nguva, kupenda imba yose mukati nekunze uye
kuchinja ma tiles the whole house vachiisa aienderana ne furniture yavo.
Zvose zvavaiita vaiva nepfungwa yekuti I was the owner of the house saka
she felt kuti pane chose chavaiita chaifanira kupfuura nepandiri. Saka
ndakazovaudza kuti as long vari ipapo that house belonged to them ngavaite
zvavanoda. Ndaitoziva kuti any development yavangada kuita it would be
positive and for the best.

Mukwasha akanga àti anotakura mutoro wese wemusi was 25 December saka
takanga takazorora hedu asi ini ndaipota ndichienda hangu kunoona kuti
mama vane zvavaida kubatsirwa here. Twin wanguwo mai Chichi
paakauya taitoona kuti tasvikako daily kunoona kuti hapana zvinoda kuitwa
here. Mukwasha wangu akanga aita penga udzoke chaiyo and anga adzoka
aine moto. Ndiko kuita mukwasha kwandaiziva ini kuti mukwasha ndiye
anomira mira pazvinhu zvepamusha and he did very well ndaiona mufaro
chaiwo pachiso chatete vangu patakasangana navo vakapfeka ma worksuit
vose vachiita even mabasa ataiziva kuti Mhofu dzedu ma salad
havaimbozvikwanisa. Ko avo zvimwe taitotsunga kuita vabatsiri vakakwana
kuvharidzira utera. Ko vana vakaitaka rombo rakanaka kuti vakakura
vachiitirwa zvose. Bamkuru baba Chichi vaiva nani pakuti makore avo
mazvinji kubva pavakanga vava chijaya vaizvigarira vega saka zvakawanda
vaigona. Manje Dillan akazokura ari mama's boy kupeta nhumbi dzake
chaiko ndini ndakatozodzidzisa. Manje mukwasha aitoonekwa mabatiro ake
kuti mwana akakura achiwana training yekuita mabasa akasiyanasiyana.
Ndakatomboita ka kagodo vatezvara vangu vaita kwati kwati nemukwasha
wavo ichingova baba Jnr this baba Jnr that, naivowo waitoona kuti he was
now a proud son wepamusha. Veduwo vaiita asi waitoona kuti
vaingowandira ku logistics dziri smart like kuita organise transport
yekutakura vanhu vaida kutakurwa. Handina kumbenge ndawana hangu
mukana wekutaura navo kubva pavakamboshungurudza mukadzi vakaenda
ku Canada asi ini ndaiziva zvaiva seri kwakoni ndaiziva ndaiona kuti munhu
ari kuyedza chose kugadzirisa mamistakes ake. Ndakava saluta tete vangu
vakamira vachikavhiridza utera hwemurume wavo. Vari vamwe taidai

69 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
taitotaura kuti tava nezi returned general pamusha. Asi zvakaitawo kuti
situation iite unleash a Daphne that even the husband aifuga naye gumbeze
rimwe did not know, a Daphne akasiya munhu wese asina kana mate uye it
unleased a serious entrepreneur who was hidden inside of her. I was touched
nemabatanidziro aakaita tezvara vane nemwana wavo. Umwe aigona
kutosvika achihakira pagrudge rababa nemwana wavo otowedzera rift pakati
pavo. Asi tete vangu vakanoita zita rakanaka rakadzoka kumusha kwedu.
Kazhinji ukangoona wagona kutora moyo wavamwene watora wedzinza rose,
and vabereki vemurume wake hapana pandakambonzwa pavakaita chisvoro
asi kwaingova kurumbidza chete zvikatidadisa nesuwo tose semhuri. Munoti
dai vakasvika vakaita kaskukukuviri chero pakaita kukwesherana
nemukwasha vaimira naye here? Vaitosheedzera kuti "ngaaende ngaaende".
We were so proud of her sevabereki. Pandakataura zvekuti Jane taida kuti
aende kuchikoro January vakapabata ndikazonzwa vondifonera rimwe zuva
vachiti vakanga vatsvagira tete vavo nzvimbo ku MCS. Taimboita ka hedu
makuhwa edu tiri vaviri.

" Saka mukwasha hanzi kudiiko pazvose zvaakawana mava nazvo plus
kuzoratidza kuti you can do without him"

Izvi ndakabvunza day ravakandifonera vachindiudza kuti vabva


kunotsvagira vatete vavo nzvimbo yechikoro.

"Ummm ndakazonzwa tsitsi veduwee madeko akuda kuchema hanzi


hamuchina kana changu chamunoda. Ko kuzoti "pleaaaaaase I still want to be
the head of this house" ndikamboda kuchemawo."

"Munoiteyi mukwasha wangu veduwee musada kundikwidza bp"

70 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Kutaura chokwadi maiguru I did it from my heart ndisina kana pfungwa
yavaifungira kuti I wanted to prove a point asi ndakazofara hangu kuti at
least vazvionawo kuti ndinogona kurarama the best life chero ndisina ma
cards avo"

"Tete kutaura kwenyu zvinoita sekuti muchiri kurwadziwa nezvakaitika.


Hamunaka kuvaregerera mukwasha."

"Ndakavaregerera kare maiguru. Kungoti rakaita kunge bomb chairo ndisina


kana kumbozvitarisira ndikarwadziwa kusvika pa maximum chaipo
pekurwadziwa saka zvinopota zvichimbodzoka mundangariro. Saka ndiri
kuzama kuti zvibude mandiri chose saka ndoona sekuti macards iwayo
anogona kuramba achindirangaridza"

"Saka musinawo hamusi kukanganwa wani"

"I'm trying maiguru."

"Saka ngatimboyedzai kutora ma cards acho tione kuti hazvingabatsiri here.


Ndiri kuona mukwasha ari kuzama chose kugadzirisa mistake yake saka imi
munenge makutoda kumudzosera shure. Zvakaitika zvakatodarika tete
ngatifambei tichienda mberi. Pavanodzoka kubasa please find time to iron

71 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
out things. Seuyo anotochemera kuita musoro uyo akanakazvee nhai tete.
Momboziva here kuti variko vamwe vekuti kuvapo kana kusavapo same
fanana. Kuva nemari kana kusava nayo same same saka musavharira
makomborero tete. Munodiwa imi zvatinoona tose unless kana muine
zvimwe zvamusingatiudzi zvemumba yemukati zvatisingaoni."

"Hapana kana maiguru. Zvose zviri bhooo"

Ndakazoisirwa message ndichiudziwa kuti vakanga vagadzirisana vakapiwa


Benz nyuwani yekudhura maningi. Shuwa munhu aingoda kuzvivharira
nhai.

Kwababamukuru vangu zvairatidza kuti zviri kuita. Navowo he had all the
reason to thank God tikatarisa zvibingamupinyi zvavakasangana nazvo
zvimwe zvataiona nemaziso enyama sekuti hapana imwe way out.
Sepanyaya yekuroorana kwavo na Lerato haiwa pakanga pasina kuchipa, asi
against all odds they were together and happy. Ko taiaonaka ma.picture
avaititumira vaina tete vangu nemurume wavo vachifara ivo vaimbogiya
kuti makunakuna. Aito complainawo Lerato kuti iye mwana iyeye wavaiti
wemakunakuna akutoita sekuti ndewavo havachatodi naye akatosiiswa
mukaka nguva dzakawanda ndivo vanenge vainaye. Aitofarawo kuti zvava
kuzomupawo mukana wekutanga degree rake January. Isu hedu we had
settled for maiguru na mainini, bamukuru na babamunini, ndiko
kudaidzana kwataiita and we were comfortable with that. Ko ndizvo
zvaivapoka takatoudzana kuti tirege zvekuita zvinhu zvaizotipa
kusungikana. We had a lot to celebrate and very little to cry over. Aigara
achingotaura mai Chichi kuti "mainini dai mambouya maona kuti ndigere
seyi. Huyai mumboona zvandakaitirwa nababamukuru venyu" asi ndaingoti
nguva ikakwana tichaenda hedu.

Ndaifarawo kuti vana baba Chichi na baba Fadzi vakanga vava kuita
vachisunungura baba vavo. Ndainzwa mai Chichi vachigarotaura kuti
tazoitira baba zvakati nezvakati ndikabva ndatokopawo kuita chinhu ichocho
chakanaka. Ndaipota ndichivatumirawo mari mwana wavo ndaitozomuudza

72 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndatoisa ini. Naiyewo akapedzisira ahakira ndikati Mwari kudzwayi nekuti
ndaiziva kuti ndipo pane blessing yemhuri yangu. Taiva tava kutoita
makwikwi ekuva spoila ne mari kana airtime chaiyo vaingoti vakaita
sevanyarara totovapa airtime and vaibva vafonawo. Nababa veku Lundi Park
zvaingova zvimwechete asiwo uku kuLundi ndiko kwanga kwakanyanya
kurerekera chikero cherudo rwacho kudarika kuKwekwe nekuda
kwezvikonzero zvamunoziva. Manje apa ndaivaonesa vakomana ivava kuti
babamukuru vanga vauya ava naivo vaitoda kubatsirwa kuita unite na baba
vavo nekuti kana ivo varume vedu vakaramba vari bitter zvaizonetsa
kubatsira mukoma wavo. Asi kutovaonesa kuti vose naivowo vakanga
vakarwadziwa zvakafanana, nani ivo babamukuru Reg vakanga vari a
product of love kunyangwe zvako yaiva nekunyengera mukati, ko ava
vakanga vari zvibereko zveubhinya neumhondi, products of rape. Ndinoti
umhondi nekuti hakuna kuuraya kunopfuura kubhinya mwana ane 14 years.
Saka pavaizoona vaningina vavo vachida baba vavo ivavo naivo zvaigonawo
kuvabatsira kuti vavaregerere.

Musi wa 24 takasvika kuLundi Park kuma past 8 chaiko takasvika kuLundi


tikawana zvizhinji zvava in place kani. Matende akanga apitchwa matatu
ose maviri aizogara vanhu akanga akaitwa traditional deco yendiro
dzematanda uye ma vase ezvikari uye maruva e michekechera yechibage
yakapendwa. Imwe tent yakanga yatosetwa se serving point. Kubika
vaibikira ku cottage. Kuma 9 vanhu vakatanga kusvika. Pa guest list asina
kusvika chete ndi sis va mai Chichi Lesedi, vaiti vaiva natete vavo
vaikumbirwa musi we Christmas iwoyo. Trevor na Batsi vakasvika nguva
imwechete nababa vake namai vakadarika vachivatora. Vakanga vatenga
VRV Honda yavo yakanaka chose. Takazongobhowekana kuti havana kuuya
na Trevor Jr. Prince naTariro vakauyawo by air kubva kuNamibia. Havana
kugarisa havo nekuti vaivawo nerwendo rwekuenda kumusha kwaana
Prince kunoratidza mbuya nasekuru muzukuru wavo. Vanga vadzokerana
vabereki vaPrince vava kugara vose kuNjanja kwakare.

Vanguwo dad vakasvika by road vaina mainini Cliff vakabva vatosvikoti


kuna babamukru Dillan handidzokeri vachiti dad vaivamanikidza kunoita
masters yavo kuSouth Africa. Taiwirirana na Cliff kuita sekuti taiva vana
vababa namai vamwe chaivo. Navowo Sinyoro vaitida zvakafanana tose..

73 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Regai ndingoti vose vaiva pa guest list vakauya kunze kwemhuri yekwana
Lesedi.

Zvainakidza veduwee mhuri iri pamwechete ichifara. Mai vedu


vekuKwekwe ndivo vakazoita havo grand entry vasvika ne cab. Takanga
tambonzwa kuti vati vanorwara kuda vakazosara vachiita nani. Taifunga
kuti cab vakanga vaitora mutown semunhu akanga asina mota. Maiwee
takazokatyamadzwa tichinzwa kuti vakanga vabva me cab kuKwekwe yowee
takapera mate mukanwa. Machenero avakanga vakaita ndakabva ndatoona
kuti ndikavati nhumbi dzavo dzaienderana ne function dzaivapo kare
ndaizoita sendava shora. Ndakangosiya vakadaro bva ndivo vega vakanga
vakarasika. Ndakambotumwa namama kuti ndinovadana vauyewo kwaiva
naana mai museyamwa vakandirambira chaiko hanzi ndiri right pano.

Mutambo wakenderera mberi kwaingova kukurukura nekuzivana kune


vakanga vasingazivani. Pa program paingova nema speech maviri chete
yababa uye yamukwasha then vote of thanks vakawirirana kuti babamukru
baba chichi ndivo vaizoita vote of thanx since baba vaitaura pa speech . Time
ye lunch yava kunokwana ndipo pakasvika the surprise guests. Ndoti yaiva
surprise ka nekuti hapana akanga akavatarisira. Ini namai Chichi tisu toga
chete nevarume vedu taiziva nezvavo asi takanga taudzwaka kuti havasi
kuuya. Vana baba vaizoziviswa nezvavo mushure memutambo vanhu vose
vapararira. Zvino vakabva vasvika. Aiwaa mai vakanganga vakachena zvavo
ivavo kana tose takatarisana tikaona kuti hapana akanga akachenerana navo.
Ini zvandakanga ndanzwa nezvavo ndakatadza.kubvumirana nezvandaiona
ini. She was beautiful ivo pachavo uye magadzirirwo avakanga vakaitwa
takabva tangobvumirana pa table patakanga takagara kuti rwaiva ruoko rwa
professional make-up artist chete vanenge vakadarika vachigadzirwa chete.
Ndakatsikwa na mai Chichi nepasi petable time dzakaenda vana Dillan
pamota pavaiva vakandinongedzera nemaziso kwaiva na Mhofu vakuru.
Mashamiro avakanga vakaita muromo kutotenda kuti hapana chipembenene
chakapfuura nepo nguva iyoyo.

Pakazomboita ka confusion pakambovhiringika mukwasha asi Mhofu


vakakurumidza kuita kuti zvigadzikane plus very few vakazviona nekuti
zvakaitikira seri. Kwe catering tent kwavaifamba vachibva kwavakanga
vapaka mota yavo. Baba Chichi ndivo vakazouya vachitiudza kuti vava
kunotenga dzimwe nhumbi mutown since dzavakanga vakapfeka dzakanga

74 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
dzasviba plus shirt yavo yainzi haichina ma bhatani. Ndivo vakabva vabuda
na Zex iyeye akanga angopusa pusa asi vakati vakataura naye akanzwisisa
hake. Hanzi akati vagomukumbirira kuona mukwasha kana achinge
agadzikana. Hatina kuendako hedu kwaiva nemukwasha ainzi akanga
asisina kunyatsosimira zvakanaka plus tete vaiva navo kuguest room ikoko.
Asi baba Chichi havana kutora kana 30 minutes vakanga vadzoka.
Vakatozotijoina pachikafu kutoita sekuti hapana zvakanga zvamboitika.
Babamukru baba Chichi vakauya na babamukuru Reginald patable
patakanga takagara ndipo pavakazodyira paiti baba Shammah and wife,
baba Chichi and wife, ini naMhofu vanguwo, uye Trevor and wife ,.Yaiva
10 sitter table saka ivo ndivo vakabva vasvikozadzisa.Tete nemukwasha
vakanga vakagara pa table paiva nababa namai Muzambi, baba vavo uye
mother vavaiti vakanga vashanya kumba kwavo, Sinyoro nemudzimai wavo,
uye tete Mavis and hubby. Patable paiva nana Mhofu vaivapo ivo
nemadzimai avo, tete vamama vekuBhuhera nemurume wavo uye baba
namai va Trevor. Mai va babamukuru Reginald vakagariswawo ipapo
vakaita wechi 9. Taisimuka table by table tichinozvisevhera chikafu
waingotorawo chawaiona kuti unopedza uye chawaida nekuti yaiva sarura
ude. Mu mutsetse wechikafu ndakaona mama mai Mhofu vadiki vachiratidza
kuti vakanga vawirirana na mai Reginald vaitoita nyaya. Mama
vekuKwekwe handina kuvaona pamutsara hameno kwavakanga vari.

After lunch ma samusha vakapa speech yavo madam vakamira padivi pavo
zvaidadisa kani. Babamukru Derrick vakaita vote of thanks tikawonekana
nevakanga vatikuta tikasara hedu pachedu uye baba namai Muzambi ma
Murehwa na mother vandambotaura vaya. Vana vaiva Ku cottage kwavaiva
nana Jane, Rue, Grace uye mainini Cliff. Takazobva hedu namai Chichi
takunoonekana nana tete mai Khumalo vakaita havo vekuoedzisira kubuda.
Takafamba netsoka kunosvika kunze kwegate kwaiva kwakamira mota
yavaifanira kuenda nayo vachiperekedzwa na driver wedu nekuti vaida
kunovatira kwaana Lesedi vachionawo vamwe vozodarikira havo nendege.
Taitonanaira hedu tichipinda patakagashirwa nemhere yakanyatsonzwikwa
kuti munhurume uye yaibuda kumain house ikavharira yard yose zvichida
yakatoyambukira kuma next door. Isu takatangirwa nevanhu vose kusvika
mumba nekuti vamwe vose vaiva pedyo isu patakazobva kugate takasvika
yava batai batai mama mai Muzambi vakabata baba Chichi mama mai Mhofu

75 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vadiki vakabata wangu murume vari chibhebhenenga kuda kurova mai
vekuKwekwe vakanga vakangobata poto yavo mumaoko yakanga yoita
seyanamiramo. Zvaiva zvaitika zvaiva obvious zvaisada kuudzirwa. Haiwa
ini Mhofu ndakatadza kuvatarisa ruviri ini chipfuva zvichidzika nedumbu
hameno kwazvainogumira vakanga vakwapuka ganda rose kutsvuka kuti
piriviri. Takatozonobata tikavakwevera panze vedu varume nekuti paiitwa
ngozi chaiyo kana ari saDillan ndaimunzwa ndakamubata kuti aibvunda
chaiko nehasha.

"Ndiregedze mhani iwe ndichazokwapura iwe manje unondibatirei asi


marangana kuuraya baba vangu heeee ndiudze. Ndiregedze tione I want to
see her dead zvavaita baba vangu"

" Zviri nani urove hako ini baba Fadzi kana zvichizokudzikamisa. Kana
wavaponda ukaenda kujeri ini ndoita seyi nhai. Ko Fadzi okura asingazivi
baba vake here nhai Museyamwa? Kana muchiti ndarangana navo kuuraya
baba chipedzerai shungu pandiri ini mukadzi wenyu. Avo siyayi vakadaro
munorovana nemunhu anozvirwarira mukamuuraya mozodii?"

Babamukru Reginald vaivamo mukati vakabuda vakamhanya kumota


vakanotora turusi dzebasa vakadzoka vachisanganawo na mukwasha
vachibvawo neseri kwemba vakadungamidzana natete. Pavakabudiwa navo
Mhofu vakatakurwa na vaMuzambi na Murehwa my husband broke down
akagara pasi chaipo akachema zvakandipisa tsitsi. Ndakapfugama
ndikamumbindira mashoko chaiwo ekumunyaradza ndakamashaya.

Baba Chichi hameno kuti vakanga vapinda mumba nguvai vakabuda


vakabata ruoko rwababa vavo vachizama kuvashingisa

76 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Dad please be strong"

Kana vari saMhofu vadiki vakachema zvakapisa tsitsi.

"Nhai.mwana wamai vangu unoda kundisiya ndega here nhai ndiwe wega
wandinaye. Mukoma wangu nhai please fight"

Chero wakanga wakasimba waitodonhedza misodzi chete. Upenyu


hwairatidza kuti hapana.Vakaiswa mumota bamkuru Reginald nemukwasha
vakapinda kumashure kwavakanga vaiswa Mhofu vadiki na baba Muzambi
na Murehwa vakapindawo baba Muzambi vachityaira. Takatovarairwa
takanzwa chakarira kuita kunge puranga kunoti cheu kudai wane imbama
yakanga yamhara auntie vari muvhu makumbo ari mudenga Derrick***
achitevera akanoita kutsika pahuro chaipo. Haiwa vanhu vaiva nehasha ivava
ndakasarenda zvangu.

"Baba Chichi chiiko nhai munoda kufira mujeri here nhai?"

Vakazama kuvabata mai Chichi vakasubvurwa vachinozendama nemadziro


lucky enough havana kuzodonha zvakaita avo vatakanyarira bhurugwa rava
panze. Ndakarwadziwa kuona mai Chichi vachiyuwira vakabata musana
wavo vakangofamba chinyararire vachipinda mumba. Dillan ndiye
akatozoita zvembabvu kumubvisapo vakambundirana vakachema. Auntie
vakabatiranwa nana mama vakapinzwa mumba. Tete ndivo
vakazononyararidza hanzvadzi dzavo ini ndakanga ndakutotyawo

77 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kukwaturwa. Vakazobva paya vakanogara mumota vachitaura vari vaviri
imomo tikavasiya vakadaro.

"Zvakaoma maiguru Rue ari kuchemawo kuseri uko ndamusiya ana tsano
Cliff atumirwa message nemukadzi we mukomana wake achiti ndati
ndikuzivise kuti Tinashe ava nemudzimai anova ini"

"Hezvo handiti ari kugraduater this coming year here mukomana wacho."

"Kwete tete akatograduater iro gore rino and mari yegraduation takatovapa
mainini R5000 yavaiti iri kumushotera vakamutumira."

"Saka vambotaurawo naye here mukomana wacho"

"Ehe ndatomaona ma message acho ese angoti "I'm sorry ndizvo zvakaitika
akabva atomublocker."

Moyo wangu waiva kuna mai Chichi vakaratidza kuti vabatikana uye iniwo
ndakanga ndabatwa nemashoko ekuti ndarangana na auntie kuuraya baba asi
handina hangu kuzviratidza kuna tete ndakangoita as if all was well.

Patakanga tava kufamba kuenda ku noona kuti mainini Rue vaiva seyi
yakabva yapinda jeep yemapurisa tikaona kuti hapachina kumira mushe.....

78 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 7
Shumie

Kungoti pane chakanaka satani haakoni kumbosvikawo achizungunutsa


sezvaakamboita pana Jobho. Hanzi ndanga ndichingifamba hangu
ndichikwidza nekudzika. Mwari vakati ko miranda wangu Jobho
wambomuona here, wakarurama uye unotya chakaipa. Manje ndofunga apa
Mwari vakabvunza kuti " ko mhuri yekwa Mpofu wamboiona here." Iye
akapindurawov kuti ndaiona uye makaipa mufaro nerugare.

Nekuti mabvorongero aakaita ipapo tototenda Mwari kuti vaenzi vazhinji


vakanga vaenda. Taipinda pai chokwadi nenyadzi?

Hatina kuzosvika kwakanga kwakagara vana Rue nekuti

pagate pakabva papinda mota yemapurisa pakabuda mapurisa maviri aiva


mu uniform uye vamwe vaviri vakanga vakapfeka nhumbi dzavo
vakatizozvizivisa nekuburitsa ma ID avo ebasa. Eish it was so embarrassing
auntie dzachena vachitadza kupinda mumota vakaita zvekusundiwa
nebhutsu. Madzimai anga angomira apererwa ndipo pandakazoona
vakomana vekwaMpofu vava kubuda mumota mavakanga vakagara. Apa
vaingoona havo firimu vakagara mumota. Maziso akanga azvimba vanenge
vaizvibaya nekuchema. Apa ndipo pandakaona kuti baba vavo vakavatadzira
havo asi vaivada kuvaona varipo vari vapenyu. Blood is thicker than water
chokwadi. Ndipo pandakazofunga mai Chichi ndaona babamukuru.
Ndakadaniwa na baba Fadzi ndava kuda kupinda mumba ndichibva ndamira
vakasvika vose pandaiva.

79 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Tiri kuda kutevera vana dad kuhospital hamudi kuenda here."

"Noo handisi ini. Endai henyu or you can ask mai Chichi kana vasina
kuvhunika vanogona vachida kuenda."

Ndainoona munhu wandakarangana kuuraya here nhaimi. Tete vakanga


vaenda Ku cottage kwaiva na Rue ndikakwidza hangu kwaiva na mai Chichi
ndikasiya vanhu vakapererwa. Ndakapinda mulounge vana mama vachiti
vakanga vafonerwa kuti vasvika kuchipatara kwemukwasha saka
vaibatsirwa havo Mhofu. Pamba pakazomboita sepaiva nemufaro here kubva
kuseni. Kusuwa kukuru kwakanga kwaita take over nenguva shomanana.
Mai Reginald vainzwisa tsitsi vachizvipawo mhosva yekuti dai vasina havo
kuuya.

"Mugoona henyu mukomana anga asingadi kuuya achingoti mama I don't


feel like going there tadii kungotamba Christmas yedu pano ndichikuonai.
Manje zvakuita sekuti tauya kuzokonzeresa nyonga nyonga. Ndangouya
kuzoona muzukuru ini zvakawanda hazvimo mandiri. Kana kuziva kuti
vachange vari pano baba ivava ndanga ndisingazvizivi havana
pavakambotaura nezvavo vakomana pavakauya kuMvuma."

"Hamuna chamambotadza kana maiguru asi kungoti mumwe wedu uyu


ndiye aita mufungo usiriwo chete. Plus kana paita threat pamurume wangu
ndinouraya murume wacho here or I fight for my man. Haiwa vakoniwa
havo mai guru saka kupisa kuchaita kuti vanyanye kudikwa here. Magonera

80 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vana vakoma vanga vachatofa vasingazivani."

Ndakasiya vachinyaradzana madzimai ndikakwidza upstairs kwaiva namai


Chichi. Ndakawana vakagara vakabata rushaya misodzi iri pamatama
vakavhura zip yepadivi yedress ravanga vakapfeka vakaisa mvura inodziya
mubucket vachitova pahudyu.

"Mai Chichi chii asi marovera zvakashata here?"

"Ndanga ndichitoda kukufonerai kuti muuye ndiri kurwadziwa ndarovera


zvakashata. Pandapinda paya ndofunga ndanga ndichine chiveve. Manje
pava kupisa chaiko mukati chaimo."

Ndakabatikana veduwee. Vanhu vepi nhai vasingagoni ku controller anger


yavo. Ko isu takanga topedzerwa shungu tisu takanga tapara ipi nhai?
Ndakatora phone ndikafonera mama vakauya. Navowo vakapera mweya
nazvo. Havana kunge vaona pakasundidzirwa mai Chichi
zvakatovashamisawo. Vakati better tiende kuchipatara neni ndikaona dziri
pfungwa dzakanaka. Tete vakabva vapindawo vachida kuzooneka vakawana
paita umwe murwere.

"Kuchipatara ndichazoenda kana vanhu vapararira ndinotonyara kutarisana


nevanhu ini. Munoti inyore here kuitwa zvakadaro nemurume wako pane
vanhu."

81 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Kwete maiguru kuchipatara ngakuendwe izvozvi. Vanhu vasara varipo
vaenzi vangu ava ndava kutovatora ndiende ndinovasiya kumba. Maiguru
mai Fadzi gadzirai muende kuchipatara kwedu ndouya ndichikuonai
ikoko."

Vakamboda kuramba mai Chichi vachiti havasununguki kurapwa


nemukwasha.

" Madoctors aripo akawandisa maiguru mukwasha hamutombomuoni.


Ndonosangana nemi ikoko manje manje to see kuti mawana the best
treatment. "

Vakabva vabuda tete tikasara tichibatirana mai Chichi namama tikanovaisa


kumota yamama. Ndakadana mhuri yangu ndikapa tsano Cliff makey kuti
vadrive mota vaende havo kumba na Jane na nyasha nevana vose kusanga
nisira Doug nekuti pakanga pasina anga achizosara pamba. Ndiwo mabviro
atakazoita pa 15 Marlvin taita rumwe rumwe pasina goodbye hugs. Mbuya
vaNyasha takaenda navo kuchipatara vakati havangasari vega pamba plus
mota yemujaya wavo vaisagona kuityaira. Ndaifunga ne effort yatakanga
taita yose kugadzira zuva rataiti remufaro munhu mumwechete
ongofurufusha here kuita kudira kutsamwisana nekusuwa mumusha.

Takasvika pachipatara mota yakaenda nana Mhofu iripo pa parking.


Takanopaka pa door chaipo tikasesedza mai Chichi kupinda mukati. Vanhu
vakakatyamara veduwee kuti same family zvakanga zvaita seyi zuva
rekufara rakadaro. Tete dee vakabva vatosvikawo vanenge vaibhururuka
chaiko nekuti vaiti vakanga vatotanga vasvika ku hospital kuzotora murehwa
vakanovasiya kumba vose nana VaMuzambi.

82 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakazoona nepawindow mota ya Dillan ichipinda vakabuda vakabata
paper reku pharmacy. Mai Chichi vakanzi vaende ku xray vanoonekwa kuti
hapana kuita fracture. Ndipo patakazosangana nemapatya mai chichi
vachisundwaa mu wheelchair vakashamisika. Ini ndakabhowekana ini
vaishamisika chii kana vari sababamukuru ndanga ndakavatsamwira. After
vasunda mudzimai wavo kana kuzombotevera kuona kuti haana kukuvara
here neimwe nzira vaitoti tsvatu waro.

"Ko chii mai Chichi? Waita sei?"

Havana kupundura mai Chichi kutowedzera havo havo kuchema.

"Mainini chii nhai please tauraiwo neni"

Vanga vatopusa vese mukoma nemunin'ina. Takazosara panze isu ivo


vakapinda mukati maipinda mudzimai wavo.

"Ko gules vaita seyi nhai mai Fadzi?"

" Vasundwa wani nababamukuru vanhu vose vachiona paya pavanga


vachizama kuvabata. Saka varovera zvakashata."

83 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Eish. Ini handina chandaona ini. Saka hanzi havana kunyanya kukuvara
here?"

"Tichatoziva kana vabuda imomu kuti vakuvara zvakadii."

Takambonyararidzana takagara pa machairs aiva panze peroom yaitorerwa


xray. Ndaiona kuti munhu ane zvaaida kutaura asi aishaya pekutangira.
Ndakazonzwa munhu ogadzirisa pahuro ndokuti

"Baba mambovaona here?"

"Hatina isu tanga tiina mai Chichi. Vari seyi havo."

"Vabaiwa a strong injection yekupedza marwadzo saka tasiya vati


vanomboda time nemunin'ina wavo. Pachest ndipo pavanyanya kukuvara
and imwe nipple yadzurika. Asi tsano na mkoma Reginald vati havo he will
be fine asi vachatombogara muchipatara nguva yakayi oh."

"Ummmm dai vapora havo. Nekuti ndingafeela guilty for the rest of my life if
the worst happens."

84 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ko ndakanga ndanzizve ndakarangana kupisa baba vavo.

"I'm sorry mai Fadzi ndataura ndakagumbuka paya."

"Kugumbukira ini here?"

"Kwete"

"Saka ini wamanga mopedzera shungu ndini ndaita seyi. Kumwe kutsamwa
kwacho kunozonyanya kunoda munamato hakusi normal. Ikozvino umwe
avhuna mukadzi. Apa anga achitozama iye kubatsira saka dai vanga vauraya
munhu wavanga vakatsika.pahuro kuita kunge bhurakwacha kudaro manga
muchafonera mapurisa here zvamaita paya?"

"Maudzwa nani kuti tisu tafona."

"Zviri pachena nekuti dad havangambofona. And pamadzimai asara kumba


havana kufona. Hazvina basa hazvo izvo asi ndiri kungoti hasha dzenyu
dzisina limit dziri very dangerous. Ini hangu ndajaira kuti chero nguva

85 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndinogona kungodhishirwa magaramoyo but mai Chichi vari mushock
chaimo she is saying hazvina kumboitika since."

"True mainini hazvina kumboitika. And handizivi kuti ndanga ndapindwa


nei ini. Apa munhu wacho haasi kuda kumbotaura neni. Eish ndabhaiza big
time."

Vakazobuda mai Chichi vachizvifambira havo vega asi vaikamhina. Xray


hapana kukuvara kwakanyanya kwakanga kwaitika asi kuti vaiti ropa
rakanga radunduvira mukati. Vakanyorerwa mushonga weku rubber uye
ma tablets ekuti rinyongodeke. Takabva newangu wemasasi murume tikasiya
vaviri murume ava kubatsira madam kufamba. Ndakaona character yatete
Daphne pana mai Chichi yekukavhira umwe wavo. Ipapa vakabvunzwa
vakati ndadonha pama stairs. Havana kuzopinda mukati matakanga tanoona
baba. Nguva dzakanga dzafamba chose dzatova past 7 manheru asi kungoti
we were family. Vakanga vakasvinura baba asi vachiti kugara hakuiti.
Vakanga vakaisiwa rimwe zibhokisi rainzi nderekuti vasaita contact
nemagumbeze kureva kuti kunyangwe nhumbi zvakanga zvisinga bviri kuti
vapfeke. Mbuya vaNyasha ndivo vaiva vakagara nechekumusoro vachitaura
nemurwere patakasvika vakabva vasimuka vakatipawo mukana. Vaiti pain
havasi kuinzwa havo ndofunga I injection yavakanga vabaiwa asi misodzi
yaiyerera kuda dzakanga dzavawo pfungwa neshungu. Ndakazoenda
pavakanga vari ndiina dillan. Ndakangovabvunza miviri ndikabvapo ini face
yavo yakanga isingavaraidzi kutarisa vanga vakakwapuka nechekunzeve.
Vakazoti vaida kuona vana vavo vari vatatu. Bamkuru Reg vainzi vari ku
office komukwasha uye Derrick paakafonerwa akati akanga atungamira na
madam kumba. Vakazongoti vaizovaona pa visit yamakuseni. Takabudirana
tete nemukwasha vachienda kwavo ku Riverside, Mhofu nemadzimai avo
maviri vakaenda ku Lundi park ne Benz mbuya vaNyasha. Vakanga vati
vanomuka vachidzokera vaizopota vachizoona murwere. Bamkuru Reg
takaenda navo kumba kwedu kuGweru East vakati vaida kumboona dad
vavo vachirecover. Takadarika neku Lundi vachitora mota yavo yakanga
yasarako ndokunanga kwedu.

86 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Beautiful place you have here guys"

Hwaiva husiku haho asi pedu paingoita semasikati nemalights akanga


akadirwa. Ndakasiya hangu mukoma nemunin'ina vachikiya mota
ndikapinda mumba. Ndakasvika lounge ndikawana vana baba namai Chichi
vakagarisana pamakumbo vachiona TV wangu mwana akavatirira kuita
kasvava chaiko. Haiwa neniwo ndakanga ndakatsamwira Dillan ndakabva
ndatoona kuri kutambisa nguva zvenyu kana vakanga vabhozvorana hudyu
vakanga vataurirana vakaregererana. Ndakangozviti nechemumoyo life is
too short kuswera ndakasungira pfundo munhu wandainofuka musoro naye
ipapo. Kuzvipa punishment hangu. Ko ndakambozviitaka taita
kusanzwisisana nekanyaya kasina basa handichatorangariri kuti kaiva keyi
ndokuignowa munhu zuva rose achiedza veduwee ini ndichioma musoro
nhema. Takazonosvika pakunovata asiyanawo nazvo apa ini ndofunga kuti
saka ndatovidza zuva ndakatsamwa chatova chivika ichi. Apa munhu
atoratidza kuti ndakunyengerera zvakwana iniwo kuti
ndichingotsamwanuka ndega zvanga zvonyadzisa. Apa munhu kutosvika
achivata akatarisa kumadziro zvake ko aitadza nei ini ndakaswera
ndakasunga zvinhu. Chakazondiworora izemo haiwa ndakaita kunge
ndaveserwa moto apa mwana wekwaMpofu akadzipfodora hake kana kuti
aitonyepera hake kundikaurisa. Ndakatanga ndichamukweshera
nekwekugarira ndichingoshanyarika nhema iye kana kucheuka zvake.
Ndakaita kunge ndichabuda misodzi musi iwoyo. Ndakazongonyeberawo
kuvata ini ndikakanda gumbo nepamusoro pake kuita sekuti ndaita mavato.
Sezvineiwo rakanosangana nechitsiga chemupangara chakati dziii zvacho
ndikati eheeee matsotsi haagerane. Yakazovatirorira wani ngoma
yeJerusarema. Ndini wani ndaimboudza tete Daphne kuti ukaziva weakness
yeumwe wako you will live a stress free life. Asi ndaitoda hangu
kuzokwevera twinnie wangu padivi andiudze kuti vakanga vanzwanana
nguvai uye seyi munhu akanga achizhamba nguva pfupi pfupi yanga
yadarika.

87 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Haa imi asi marasa makey emubedroom menyu here nhai?"

NdiDillan uyu vakanga vapindawo. Ivo bamkuru vangu misikanzwa mai


Chichi vaizama kuda kubva pamamakumbo ivo vachivadhonzera pasi.
Takazonzwa "Ouchhhhhh" munhu achikwiza pachidya vanenge vakanga
vatswinywa. Dillan akabva agara padivi pavo very fast akakanda chi cushion
panakumbo pavo ndikangosvova chinyararire ndichienda Ku kitchen. No
wonder why vasina kutsudunuka pandakapinda vaiziva kuti sajeni major
vari pa drill. Vana vose vakanga vavata plus supper yakanga yagadzirwa
kare. Mai Chichi ndivo vakazoti tsano Cliff vakanga vavataridza bedroom
raiva Ku wing kwavaivata kuti vazorore havo. Ivo vanga vasina kudya
hameno kuti vairegereyi tongoti vaiva busy zvino tingatii. Takasevha chikafu
isu hedu nekuziva vanhu vedu takanodyira mukitchen tikasiya vana
vanyamunhu vari voga. Takangosiya vakagara ndikanogadzira muroom
maizovata bamkuru Reg ndikaisa zvose zvekugezesa uye short ne T shirt
zvababa Fadzi uye mapyjamas avo kuti vabatsirike since vakanga vangouya
nenhumbi dzavakanga vakapfeka chete.....

88 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 8
Doctor Chris

Zvandakanga ndoita sendichatora leave kubasa kuti ndinyatsogadzirisa


function yekwaana tezvara vanguka. Zvakangoramba chete kududzika
kunana tezvara kuti ndipeiwo imwe list iri more relevant ndipamhe kuroora.
Ndakashaya vatete vekunoudza kuti ayewa muzukuru wenyu ari
kundigonera. Ndaimudzvanyirira mukadzi wangu ndichingomuita
mucheche izvo kwaani panga patova nezvaamai vakarongeka vanoziva
zvavanoita. She was now a responsible woman not a small girl wandaingova
naye mupfungwa dzangu wandaiita kunge broiler rinongofeedwa rakagara.
Naiyewo anenge akanga azvitambira nekuti hapanawo paakambondiratidza
kuti ane zvimwe zvaanogona kuita though zvishoma izvozvo zvandakanga
ndakamusunungura kuita ainyatsoita nemazvo. Like kuchengeta vabereki
vangu I had no complaint, kuchengeta mwana wangu she was perfect,
kufadza ini wacho she was the best chero muimba yomukati ndaisara
ndanyatsogungwa. Ndaimbofunga kuti zvichadzikira pandakadzoka atanga
dutu rema projects uye mapatya but haaai ndaidetemba mitupo miviri remix
chaiyo mhazi na murehwa nguva imwe neimwe yandaipiwa zvandakabisira
mombe idzo dza ndakanga ndoda kututsira nekufara. Vabereki vangu vose
havo they had fallen in love naMampofu kana vari saMurehwa vaisviika
pakudonhedza misodzi chaiko. Patakataura nyaya yekuvatsvaga ini I had
taken it lightly asi she brought my family to me , my own blood. Sekutaura
kwake kuti my blessing was with that old man, that womanizer whom I hated
so much, ndakatanga kuzviona ini. Chekutanga was peace chaiyo muhana
mangu, that inner peace isinei nekuti waita mari zhinji kana dzimba
dzakawanda kana mota dzine mitupo, nekutika you can have all that asi
usina rugare rwacho. Takadzokera pakunamata Mwari semhuri and Mr
Mhazi gladly introduced my dad and sister to the congregation vanhu
vakashamiswa nazvo vaingoziva kuti baba namai Muzambi vane mwana

89 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
wavo one anova ini. I became a prayer giant again, ndikaona zvakare kubata
kwaMwari munhuri mangu. Vana vedu vaikura zvakanaka and ma projects
amai jnr aiwedzera kuita flourish with each day. Ndakaona kuti I had to
support her dream by helping her to expand ma projects ake. Ku hospital
kwedu kwaiva neimwe land yakanga yakakurisa yakanga yakangoita lie idol
saka ndakafunga kuti rimwe zuva ndaida kuzongomuita surprise
ndichinomuratidza mudhadhadha wematanga ehuku. Land yacho yakanga
yakakurisa zvekuti ndakanga ndava kuda kuiganhura kudivi ikoko dzimwe
2 acres dzoita dzema projects. Izvi ndaizvironga na dad vangu since varivo
vakanga vazvipira kusara vachiita ma projects amai Jnr tikangovavimba.
Akanga avhurawo na baba namai Muzambi maziso vakanga naivowo plot
ravo rakanga rakangogara. Vairima zvekuti pa plot ipapo zvekuti chikafu
chizhinji chehuku dza Daphne vaingoisa mumota vomuvigira. Saka muroora
wavo akabva avapa mari yekuvakisa zvirugwi pa plot ipapo yaikwana zvose
kubva kugadzirisa ma plan uye kusvika zvirugwi zvamira. Manje baba vangu
ruzivo vakangoitisa ma plan vakatanga kuzvivakira vega vachibatsirwa
nemukomana aishanda pa plot pavo. Manje ava vaitoda kuita ne nguruve
kani hanzi tonotengesa Ku colcom. I was a happy and content man. Kana
nemabhurugwa ndanga ndatochinja pekusungira belt ndaitonzwa kuti
nyama dzangu dzakanga dzasara Ku Canada dzadzoka. Ko ndakadzoka
ndava kamudzongaka ndikapotsa ndazviita HIV test ko sesu vana chiremba
machances ekuitora kuvarwere akawanda if you are careless. Utano chaiho
ndeimwe blessing yakanga yadirwa mumhuri mangu. Mudzimai wangu
aimboita kunge munhu anoyamwisa here. Kuwumbika kuita chibhora apa
she was maintaining her body iri pakati nepakati hanzi handidi
kuzononyadzisa ku canada ndaita chinguruve. She was becoming more and
more attractive with each day. Vhudzi rake anga atanga kurigadzira futi and
ndakaona kuti she preferred her natural hair nguva zhinji ndiro raaingoisa
mushonga rodonha haro richirova mapendekete rimwe richiuya nekumaziso
uku and it made her look more beautiful. Zvemiswe yemabhiza aiisa nenguva
dziri kure hanzi zvinondivava.

Kana vari saMurehwa swag yakanga yadzoka pakare ummmm ndakanga


ndava worried kuti ndodzoka ku Canada vapindana nedzimwe asi muroora
wavo had so much faith in him.

90 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
" Baba is a grown man hun hazvigoni kuvachengera nekuvafudza.
Vakatodzidza soo munoti pavakabuda pakanga pakachipa here. He learnt his
lesson, the hard way though. "

"Uri right ipapo kungoti hey I can't afford to lose him again"

"But mungachengera murume mukuru mukasvikepi? He is a good boy manje.


Muchaona henyu what a mighty man ari kugadzirwa na Mwari.
Makambovatarisawo here ne Sunday vachinamata kuchurch"

"Chete moyo wemunhu unozikanwa naiye mwene wawo naMwari voga."

Taienda navo kuchurch dad and kuseni koga koga waivanzwa vachinamata
muroom mavo vonamatira mhuri hose one by one vachidoma nemazita
vachitaura upenyu hwakareba, good health, prosperity nezvose zvakanaka
pamusoro pemhuri yavo.

Kugadzirira kwandaiita function yekwaana tezvara vangu hazvina


kunditadzisa kugadzirawo hurongwa hwemhuri yangu. Second week ya
December ma tickets edu nema visa zvakanga zvatova ready. Vana vose
takavatoresa ma emergency passport. Ndinoreva Diana na Delight nekuti doc
Jnr vakanga vatora paifanira kunoita mai vake medicine ku Canada. Mapatya
ndiwo akanga asina.

Pamusha pandainyanyotyira pakanga pava safe hapo dad vakanga varipo.


Plus isu taizopotawo tichidzoka here and there kunyanya ini ndaizonyanya

91 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kudzoka ndichizoona kuhospital. Kwaiva hako nema specialist akati wandeyi
asi chako ndechako paripo panoda kupota pachiiswa ziso newe murudzi
nekuti vakuru vanotaura vachiti "chimwango cheumwe hachina ndima".

Imba yepa hospital ndakaipendesa nekuona kuti zvose zvakanga zviri in


good working order. Paiva nedzimba 3 dzose dzine ma five rooms ma ensiut
uye ma geyser dzose. Imwe yacho yaigara ma driver angu maviri vema
ambulance ndakaitira kuti vave panzvimbo for efficiency in case of
emergency. Ava vaitova ma well trained paramedics. Imwe yacho yaigara my
own personal driver wandaituma kwandinenge ndisingakwanisi kuenda
ndoga. Imwe one yakanga isna munhu ndakaitira ma doctors anenge ari pa
internship. Saka yakanga ichingotutirwa zvimwe zvinhu zvakafa zvaibva
kuHospital zvaida kuzoraswa. Saka ndakati zvose zvibviswe imomo
kusanganisira ma matress akanga asisashandi, ma wheel chair nezvimwewo.
Driver wangu akandionesa kuti instead yekurasa zvakaita sema wheelchair
taigona kungozvigadzirisa topa vamwe vanogona kuzvishandisa.
Pakatozobuda ma wheelchair 8 masvinu chaiwo uye ma matress akachinnjwa
ma covers akaita 10. Ndakatozowedzera nema blankets 20 manyuwani, ma
pillow 10, uye 10 pairs dzema sheets ndikatuma driver akanopa ku clinic
yekuMutapa. Handina kutoenda ini nekuti pane zvikuru zvandaida
kuzoivaitira pandaidzoka kuCanada.

Yakabva yapendwa zvakanaka imba yacho ndikaisa furniture. Ndimo


maizogara Celine mwana wemurungu uya aiuya kuzoita internship yake pa
hospital pangu. Ndakataura nababa vake, uya mface wandakaurayira,
mudzimai wake vakati vaizomuperekedza soon after Christmas holiday saka
ndaizonivatambira ku airport musi wa 28 December. Akanga asiri mwanana
she was 23, asi ndinoona kuzoda kumuperekedza yaiva nyaya yekuti vane
picture yavaiva nayo about Zimbabwe nekuda kwe bad publicity
yaitenderera saka vanenge vaida kuzoona kuti mwana wavo anenge ari safe
here. Chandaiziva chavaizoshaya complaint nacho ihospital yangu. It was one
of the best hospitals in the country. Chero uya muchinda wekupa baba vangu
itsvo handiti akanga aramba kuuya akazo Googler about the hospital and the
owner akauya achimhanya wani. Ndicho chimwe chandakaona chavaida
kuzoita make sure kuti mwana wavo ari kushanda pane ma working
conditions akaita seyi. It was unfortunate kuti ndaizopesana naye asi
aizosara hake in safe hands. Deputy wangu ndaitemba naye chose.

92 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ZvaGrace zvose zvaiva in order taingoona kuti iye ndiye akanga
atononokerwa nekutanga chikoro. Bva kurairwa maiguru vacho vaiita
kuudza mwana hupedzisira chaiko. Ndakazoseka hangu rimwe zuva
kuchinzi "musi wamunoita mukomana wamunonzwa kuti nemiwo mamuda
tete motanga mauya naye musati mati neniwo ndakuda ndimbomuvheta".
Aishuwira hanzwadzi hangu zvakanaka. Dad vakanzi " chero ndikaenda
ndenge ndichikufonerayi daily ndichikurangaridzai kunwa mapiritsi. Iko
kuzo spoiliwa kani haa mati chero nyama dzakaoma ipapo dzaisatomboita
nharo. Iko kucheneswa kwacho neganda ranga rarotsetseka kuita
gentleman. Vaitiona tichifamba tose vaigona kuti mukoma wanguka. Moti
mababe ndiwo aizodiiwo pamazuva avo vanenge vaitotenderedza musorowo
ava.

Mazuva echristmas aswedera Grace akakumbira kunotambira Christmas ku


Harare kuEpworth. Ini ndakanga ndatokoshiwa nezvamother vaya
ndakazvituka chokwadi. Ma promises ose atakanga taita kwavari
kumakanganwa chaiko. Daphne ndiye akazouya nepfungwa yekuti vauye.

It was a great day for me nekuti paunenge waita zvakanaka pose chero vanhu
vakasapembedza iwe mumoyo mako munenge muzere mufaro. Kubasa
ndakanga ndavaudza hangu kuti handiuyi asi pandakafonerwa kuti kwaita
emergency ndakamhanyirako nekuti ndaikoshesawo Zita rangu uye
reputation. Asi handina kunogarisa hangu ndakabva ndadzoka. Ndipo
pandakaita mahwekwe na Zex. Ndakanzwa brain dzangu kuvhiringika ipapo
firimu remu street rikadzoka rose. Asi kumuona akabata bemba rine ngura
randakachezurwa naro. Uyu zvaisamboda kufungisisa kuti ndiye here kana
kuti kwete. Vision yezvakaitika yakadzoka yose. Pane nguva yandaimboti
vanga rangu ndinorida kuti rigopota rindindirangaridza kwandakabva kana
ndorasika asi apa ndakati dai paine mushonga unodzima ipapo ipapo chero
ukanzi million dollars ndaiuda ini. Hapana charaindipa vanga iri kunze
kwe sad memories and ipapo it steered anger and hatred inside me.
Pandakapinzwa muguest room ndakanotarisa pa mirror zivanga riya and it
was as ugly as never beforevm asi zvakaita sekuti hu ugliness hwacho
ndaihufeela pamoyo kwete kuhuona nemaziso, strange indeed.
Ndakazogadzikana hangu mushure mekunge vana tsano vataura neni. And

93 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
pandakanga ndagadzikana kudaro ndipo pandakaita realise kuti your past
can be your demon ukasava careful. Pakazotaura tsano vangu kuti zex
akanga asingachatomborangariri zvakairika back then uye kuti aida kundiona
ndakaonawo sekuti ndiyo yaitova best way kuti ndigone kuita get over my
past. Ndakatozosara ndabatikana kuti akanga akokwawo kumutambo
akatozoutadza nekuda kwangu. Mudzimai wangu aivapo neni achinzwisa
urombo. Takazosara tava vaviri ndichichinja nhumbi shirt yangu yanga
isisina mabhatani. Akandikurudzirawo kuti ndiwane nguva yekutaurirana na
zex and get rid of my past.

"Ndoona iri idea yakanaka nekuti he also stays in this town. Apa for the past
20 or so years manga muchingopesana chete asi zvichaitika rimwe zuva kuti
madhumana mutown what will happen? You will make headlines dear."

Nduzvo zvatakazo wirirana asi hameno kuti nguva yacho yaizowanikwa


here nebusy yakanga yavapo yekugadzirira rwendo. But I had to create time.

Kupiswa kwakaitwa Mhofu kwakavhundutsa vanhu vose and pavakabuda


pamba tichivamhanyisa kuchipatara hapana aifunga kuti tinosvika vari
vapenyu. Asi he was a fighter havo asi vakanga vakuvara zvakaipisisa. We
did our best natsano Reginald and wainyatsoona ipapo kuti he is a doctor
kwete wepachitupa chete. Maronda acho, kana kuti ronda racho rakanga
rakaipisisa, ko raingova rironda kubva kuchipfuva kudzika kusvika pazasi pe
guvhu. Turusi dzekusika mhuri dzakanga dzaita Mwari wadzo dzikakutwa
nemafuta asi pazvidya aivapo maronda asi akanga asina kunyanya kukura
uye pamusoro petsoka yekwa left. Ambuya vangu vaiva mhondi chaiyo
nekuti zvaiva pachena kuti vaida kutouraya. Kungoti haungazoudziri vanhu
kuti uyu munhu ngaaende kujeri ndiko kwakakodzerana naye especially vari
ambuya, asindakapotsa ndaita anonymous call kumapurisa kuti doendai
pana 15 marlvin munotora mhondi iripo. Vaigona kusara vakatiza futi asi

94 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndinoona ndizvo zvakanga zvasarira vana tsano kuona kuti mutemo watora
nzvimbo yawo nekuti vakazotevera vakataura kuti vakanga vatorwa
nemaporisa uye handina kubvunza hangu kuti vakanga va sungiswa nani.
Neniwo ndakatoita kunge ndichajamba mudenga pandakanzwa good news
idzodzo.

Takazowana hedu nguva yekuzorora na tsano muoffice mangu ko rakanga


tashandazve. Ivo pazvose zvakaitika vanga vasina kana kumbopa comment
zvavo asi ndaiona kusuruvara kuzhinji pachiso pavo. Vanga vasina kunyanya
kungwara ngwara sana tsano vamwe ava asi chero ndakanga ndatanga
kuvaona musi iwoyo I could tell kuti he was a soft but brave man. Hatina
hedu zvimwe zvatakataura zvaiva nechekuita nemhuri asi takangotaurawo
hedu zvebasa redu kunyanya kubva kwatakadzidza kusvika patakanga tava.
Vaiti vauya zvachose muZimbabwe asi and he was not going back unless
kana vachienda namai vavo. Vaivawo nemuono wekuzoita surgery yavo uye
vaiti kana kuri kuzoshanda vaida kushandira muZimbabwe kana South
Africa handina kuzobvunza hangu kuti nemhaka yei. Vanga vafamba chose
nekudzidza vanga vatospecialisa in two areas besides being a general medical
practitioner vakanga vari zvakare neurologist uye gynecologist. Tichitarisa
pakudzidza chaipo vakanga vakapfuura ma doctors ose ari pa hospital pangu
kusanganisira ini wacho.

Vakabatikana nekutsva kwamhofu and he blamed himself namai vavo


nekuuya kuzokonzeresa nyonga nyonga.

"Mugoona tsano I was against kuuya kuno asi mama insisted vachiti vafana
vangu vakanga vakumbirisa uye vanga vachidawo kuzoona mwana akasiiwa
na twin wangu. Kutaura chokwadi tsano tisu takonzeresa zvose izvi."

"No tsano kana zvanga zvakanzi zvichaitika zvqnga zvichangoitika chero


musina kuuya. Are you not happy kuti masangana nesu mhuri yenyu? All
things happen for good to those who love the Lord. Obviously Mwari vane
zvavazviitira zvatinogona kutadza kuona nhasi. Musazvidya moto tsano.
Kana ndiri seni matondigonera mukabvuma pfungwa yandinayo."

95 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Vakaramba havo vakanyarara vakanditarisa asi maziso avo aitaura kuti go
on.

"Tsano would you do me this favor? We will be leaving in 8 days time, baba
vanenge vasati vapora obvious. So ndanga ndichikumbira kuti musare
muchiona nezvavo imi personally. And pamusoro paizvozvo muchimirira
henyu zvamunoda kuronga can you oversee operations pano kusvika
ndadzoka. It's just 4 years. Ndingafara kusiya hama pabasa rangu ndinoziva
kuti hamungandirasisi."

Vakafara tsano vangu veduwee asi chavakaramba ndechekuva pamusoro pa


deputy wangu.

"™️Ndanga ndichitoda kukukumbirayi kuti ndimonite dad kusvika vapora


asi zvekuti ndisvike ndichienda pamusoro pevanhu vagara varipo
handikwanisi. Asi kana muchinditendera ndichashanda hangu as an ordinary
worker ndiri pasi pevakanditangira......(to be continued.)

96 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 9
Doctor Chris

Ndakatozonzwa Dee achiti akanga aperekedza vana mama veku Delsford


uye vana Murehwa kuRiverside. Nguva yaakasvika ndipo pataiva busy na
mudhara. Ndiye wandakazoenda naye kumba late chaiko kuma 9. Takawana
vanhu vese vavata kunze kwa dad ndivo vakativhurira gate. Vakanga
vakangomirira kuti tisvike vagoenda havo kunovata. Mother vakanga
vatovata havo vaisheya room na Grace. Vakanga vainayo yavo room
yavakanga vagadzirirwa asi vakati vaizovata havo na Grace wavo. Ukama
hwavo hwakanga hwakasimba. Iho hawaikona nerudo rwavakaratidza
vakabatsira mwanana akanga atakura mutoro unorema kudaro wekugezesa
achionerera baba vake. Ndaiti ndikazvifunga izvozvo ndainzwa hana yangu
kurova nezera racho. Chero nadad wainyatsoona kuti mwana wavo vaimuda
zvakanyanya. Ari umwe aigona kungoomerwa akavatiza vakasara
vachidyiwa nemakonye.

"Masiya vava seyi museyamwa. Zvatanga taitirwa ngozi nhai ndanzwa kutya
ini"

"Tasiya vava nani havo asi ronda racho pane nyaya. Hutsva hwacho
hwapinda pasi chaipo. Asi vanopora havo, asi vachambochovha vari
muchipatara."

97 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Ndipo paunoona kuti pamwe patinonzvengeswa naMwari pakaoma hapo."

Kubva patakabuda navo vaina baba Muzambi na Mhofu vadiki


ndaitonyatsoona kuti Murehwa vakanga vasina kugadzikana. Vaiita kunge
munhu abuda mushock. Ndakaona hangu kuti vakanga vogaya kuti ne
nelifestyle yavakararama it was very possible kuti vapindane nedzakawira
Mhofu. Takazosara hedu tava kudya food yakanga yagadzirwa kare mai jnr
vakangodziisa. Takavanzwa vachinamata muroom mavo dad kubva
tichitanga kudya kusvika tapedza tikanovata vachingova pandima. Mashoko
avainamata ainyatsonzwikwa umwe neumwe akangoita kudya kwenzeve
hapana aka commenta. Ndakangoti nechemumoyo "Mwari grant him his
petition."

Mazuva akafamba zvawo mapreparation erwendo rwedu achiitawo intensify.


Mother mai Grace vakatendawo zvikuru nekuva navo kwatakaita
paholiday. Vakaoneka havo musi wa 27 vachiti vanoda kunotambirawo new
year pamba pavo vachigadzirirawo kuzotanga basa ravakanga vawana
kuchengeta vamwe mbuya vakanga vakura kuDema.

"Saka munenge muchipuwa marii nhai mama"

"Ndakanga ndavachaja $180 sebasa rinorema kuchengeta munhu akura


asingaoni asi mwana wacho aripo akaramba akati yakawandisa. Pane mwana
wavo musikana akadzoka kumurume saka hanzvadzi dzake dziri diaspora
dzakati haasi kugona kuchengeta mai ari kuva illtreater saka atsvage munhu.
Saka akati $80 ndiyo yakanzi nehanzvadzi dzake vanokwanisa. Saka

98 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndakangotiwo ane ganda ane nyama."

Ummmm pakanga pakaoma hapo nekuti zvaitoreva kuti vava kusiira cabin
yavo $80 iyoyo chokwadi. Pamwe wodzoka futi mbavha dzaita party pamba
pavo pakanga pasina kana security. Pavakanga vava kurongedza mai mfana
vakasara vakandionesa kuti hazviite hazvo here kuti vasare na dad pamba
since vakanga vari munhu wechikuru and akambovabatsira pavairwara saka
zvaizoita nyore kuti kana zvikaita kuti varwara vaiziva zvokuita unlike
kutora mwana mudiki asina zvaanoziva. Ndakaonawo iri a very good idea
kana vachinge vabvuma. Akatevera muspare mavaiva akanotaura navo
akadzoka achiti vabvuma asi vaida kumbonotanga vaona kuti pastand pavo
vawana anosara akapachengeta here. Saka ndakavati ndaizoenda navo
chifumi chamangwana acho ndichinogashira Celine na dad vake vaizosvika
na 6 zuva rovira pa airport.

Ndakamuka ndikambotanga ndaenda kubasa makuseni pane emergency


yakanga yaitika. Ndakatozoita busy zvakanyanya kwakaita pressure yekuti
zvakanga zvisingaiti kuti ndisiye. Tsano Regi vaitiwo musi wacho vaienda
Ku Harare kunodzosera mota yavakabva nayo Ku airport mazuva ayo
akanga akwana vaiperekedzwa na tsano Cliff vachidriver mota
yavaizonoshandisa pakudzoka. Ndakatozoona kuti ndivo vaigona kutonouya
nevaenzi saka ndakabva ndati vagokona nepamba vachitora mother.

Vakazoita video call kuma 7 vachiti nditaure nababa vaCeline kuti ndiite
confirm kuti havasi matsotsi. Vakasvikira kuhospital manheru kuma 10
chaiko. Takanga taita zvandakadzidza pandakaenda kuCanada kuti
ndakasvika mumba ma Mr Burner muine zvose including groceries. Saka
zuva rose ini ndiri busy kuhospital mukadzi wangu aivawo busy kugadzirira
vaenzi paimba yavaizosvikira yepa hospital. She served dinner tikadya tose
tiri 5 ndokuzosiya baba nemwana kuti vazorore. Tsano Cliff character yavo
yekuva friendly ndakaida. Celine akanga asina kutombosurukirwa kana
vanga vatowirirana. Akatonzi paunenge uri free tell me ndigokuratidza
nzvimbo.

99 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"And also to teach you our local language. You will be working with the
public and some of them do not understand English so you should learn some
basics"

Vaingodika soo tsano Cliff so chero pandakatanga kuvaona ndakatoona kuti


he was a darling to everyone. Takazosiya hedu baba nemwana wavo kuti
vazorore nekuti tour of the hospital taizoita kwayedza. Ndiro raivawo zuva
rangu rekupedzisira pabasa irori kubva 30 December ndaizenge ndazorora
ndamirira kubhururuka nemhuri.

First thing ndakatanga kusvika kumba kwa Celine ndikawana atopedza


kugadziririra kuenda kubasa. Her dad as well vaida kunoona paizoshandira
mwana wavo. Kungoti ava vaiva nespecial favour otherwise dai vari vamwe
ndaingovabvudza kuti mavawo pa internship here. Havana havo kugarisa
vakangogutsikana nenzvimbo shoma dzavakasvika vakadzokera kunozorora
semunhu aidzokera the following day.

Ndakaswera na Celine kusvika kuma two ndikazomusiira mumaoko atsano


ndivo zvakare vaizoita report yake after internship. Ndakanotora baba va
Celine ndikamboenda navo kuti vanoona pataigara nefamily yangu. Vakafara
vachiona matwins avakaunganidzira magifts kuCanada pandakanga ndava
kuda kudzoka.

Ndakazovadzosera hangu manheru takaenda nemhuri yose tikanovasiya ku


hospital.

Takaseka Celine ava kutogona tumawords tweshona like "makadhini", "


moroi" nemamwe mashoko mashoma. Tsano Cliff ndivo zvakare
vakazomuka vachinosiya baba va Celine kuairport kuHarare musi wa 31.
Vaitumika zvakanakisa vakanga vasingakomi.

100 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Zvizhinji zvakanga zvava in place tanga tangomirira kuti tisimuke.
Taizoenda na tsano Derrick nemhuri yavo tonovasiya mu Jo'burg.
Vakarambisisa kuti tingosvika tichiconnecta asi vakati timbosvika toswera
navo tovata tozomuka tichisimudzira. Saka taifanira kusimuka musi wa 2
makuseni tonoswera Ku Jo'burg tozomuka tichirovera muchadenga
takananga ku Canada.

Celine was settling well zvake and she was enjoying kushanda nema blacks
zvandaisafungira. New year's eve takaenda kuchurh mhuri yose zvayo
tikanotorawo mukana wekuonekana with fellow church mates mufundisi
wedu akatiropafadza. Church yakapera soon after count down tikaita last
prayer yataingoti anzwa kuti anamata zvakwana obuda oenda. Na 1am
takakokorodza mhuri kuti tiende vazhinji vakanga vatobuda kare.
Takamboita nguva takamirira dad vainamata vakaviga musoro wavo pakati
pemakumbo stance ya Elijah chaiyo yakanga yaparidzwa na mufundisi
manheru iwayo vakapa musoro wekuti "Pray until something happens"

Waingoona mapfudzi kusimuka chete asi zvavaitaura zvaisanzwikwa.


Takapedzisira tati better tiende kana vazopedza vaizongofona tonovatora
nekuti takanga tashandisa mota 1. Takasvika kumba nekuvata kukadzamara
kukayedza dad vasina kuuya. Ndakanga ndava worried nekuti 6am yoga
yoga ndaimuka ndichinovamutsa kuroom kwavo asi ndakawana mubhedha
wakawaridzwa zvakanaka. Ndakabuda ndikaburitsa mota mugarage ndava
kuda kutevera ndikaona gate rovhurika. Vakaridza intercom vakavhurirwa
nemukati. Ndakadongorera pakanga pasina taxi saka ndikavhunduka kuti
pamwe vakanga vapemhesa netsoka kubva kuGweru theater kwataipindira
Church. Maziso avo anga akazvimba akatsvuka.

"Ndanga ndakutotevera ini dad ko mauya neyi?. Madii kufona nhai


ndazokutorayi? Takaona kuti hatingakudisturbei madeko."

"Haa makatogona mukandisiya. Ndakanga ndiine nhuna dzangu

101 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
dzandaichemera kuna Mwari wangu. Ndazongoerekana 6 yachaya pauya
vanocleana."

"Ummm mukwasha musandiudza kuti mafamba netsoka chokwadi vana


vangu ndingavatora"

"(Vachiita sevanoda kutonona) Ngaisiye matambo mhai ndati muone kuti


mukwasha wenyu achakasimba. Musanditorera madzimai mhai. Mamuka
seiko mhai?"

Chero usingadi kuseka pakadai ungadii. Ndiwo masheedzerano avaiita


tezvara nemuroora wavo. Vakatanga vakasungika dad pavakasvika pamba
pedu zvekuti nguva zhinji vaiswera vakazvivharira muroom mavo kana
kungomiramira kuzvirugwi. Asi vakanga vava kutogarawo vachiona bhora
vairida zvikurusa. Manje waizonzwa vobvunza kwayedza kuti "ko
yakahwina ndeipi" kuita sekuti raibuda pa TV yepa next door.

"Musatya henyu vanangu ndanga ndiine dhora muhomwe mangu


randakanga ndatakura ndichifunga kuti kuchapiwa mupiro. Saka ndiro
randazokwirisa lift ndikaburukira paround about apo."

Vakazodya havo cereal nemuzukuru wavo vakanwa mapiritsi vakavata.


Vakaozomuka kuma 11 chaiko. New year takangotamba tega pamba pedu ini
nababa vangu nehanzvadzi yangu uye mudzimai nevana. Rue akazotorwa na
Cliff na Celine vakabuda havo kumbonofurwa nemhepo. Ndakaona

102 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kungwara kwatsano apa. Vakati kumurungu vachafamba naye
vachimuratidza nzvimbo ivo naivo vaitodawo kuratidzwa. Apa vaivanda na
Rue ndiye aiziva nzvimbo. Kuma 12 mother vakasvikawo vakatijoina
kucelebrater new year. Vana Rue vakatozodzoka kuma 5 zuva rovira
akasiiwa natsano vachiti vatobva kunosiya Celine kuhospital. Akanzi azorore
hake asi akaramba akabva atoita take over kubika vachibatsirana na mother
mai Grace. Ndiko kaitovawo kekutanga kubuda kwemore than 5 hours.
Chero ma off days ake akanga atomaramba chaiko aiti haana kwaaida
kuenda.

Pakabva papinda msg pafon pangu yaiti taidikwa ku Lundi as soon as


possible ini na Daphne.

Ndakavhunduka mongozivawo kana mumusha muine urwere hwakakura


chero ma phone calls anototyisa kudaira. Ndakayedza kufunga kuti kuneyi
asi hapana akataura. Takangobuda navana two uyu Jnr aiwonererwa kana
sekuru vake varipo kusaziva kuti anga akuzovasiya. Hapana kana munhu 1
zvake aiva panze patakasvika plus runyararo rwacho rwanga rwakanyanya.
Takasvika tikagogodza padoor hapana akadaira. Door rakanga risina
kunyanya kuvharwa uye ma lights aiva on zvawo. Dee akavhura
zvinyoronyoro tikapinda.

"Surpriiiiiiise!!!"

Murehwa vakabva vapindawo kumashure kwedu nevamwe vose vatakanga


tasiya kumba. Baba namai Muzambi vaivamo nechekare, tsano Dillan
nemhuri, tsano Derrick nemhuri, tsano Khumbu nemhuri, tsano Reginald uye
mai vavo vaivapowo. Vakanga.vatirongera farewell party nhai taitirwa
zicake raiva remudurikidzwa. Paiva neziguru zi extra large pasi raiva ne
picture yangu, kotevera large raiva ne picture ya Daphne, kouya medium
yaiva nepicture ya Rue, kouya small raiva nepicture ya Jnr, kozoita ma extra
small maviri aiva ne picture ya Diana na Delight. Takapererwa mufunge
nerudo rwakadaro. Isu taitofunga kuti zvatakanga taita pa Christmas takanga
tatopedza. Tezvara vangu vakazosimuka vakataura zvakatishamisa

103 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Mufunge nesuwo takanga tisina kumboita pfungwa iyoyi, asi amukurungai
vangu ava Murehwa ndakaona vasvika pano vachitaura kuti vaida
kukuitirayi surprise farewell party. Vakanga vati vanongoda chete
kukuitisirayi cake nekamari kavakanga vainako tongocheka pamwechete
vachitaura mashoko avo kwamuri tichinzwa tose asi iniwo namai venyu
takaonawo kuti regai tiise ruoko tiite iri party tichidya nekufara hedu ko
totaadziswa neyi?"

Pakaita mahonyera ekubvumirana kuti hapana. Rue akanga angogara


mukona zvekupererwa chaizvo. Takadonhedza misodzi yemufaro tose zvedu
tiri vatatu. Pakaita runyararo uyewo vaya vanohakira vakanga
vongokwiridzirawo madzihwa. Ndakafunga veduwee kuti rakanga raita
marii cake iroro. Banga ne dish zvakauya kuti ticheke cake first nekuti ndiro
rakanga rakakosha panguva uyi. Dad vangu vakasimuka kuti vataure
mashoko avakanga vakarongedza.

"Pamusoroi mese muripano makaremekedzawo pfungwa yandakaita


yekuonekana nevana vangu."

Vakambonyarara kwechinguva and swallowed hard zvekuti waiona kuti


vaiyedza kudzisa bundu raiva pahuro pavo. Chero mashoko mashoma iwayo
avakataura zvaiva zvekuvavarira chaiko. Vakapukuta maziso avo vakati

"Ndatadza ini kutaura mashoko angu andanga ndichida kuti


ndikuperekedzeyi nawo asi I will just say the umbrella phrase. May the God

104 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
of Abraham, Isaac and Jacob bless you in that foreign land. May he prosper
you and make you the heads and never the tails. May everything that passes
through your hands be blessed. ( kuna Daphne vakabatanidza maoko avo)

Ambuya vangu handina mashoko akakodzera kukutendai asi Mwari


vanoziva havo zviri pamoyo pangu. If it wasn't of you......"

Vakakundikana kuenderera mberi misodzi yavakurira. Akafamba mudzimai


wangu akazopfugama patsoka dzatezvara vake ndikamujoinawo.
Ndakanzwa ndabatwa padendekete madonhwe emisodzi yavo achidonhera
muhuro mangu nechekuseri. I closed my eyes ndikati nechemumoyo Mwari
ndinogamuchira this fatherly blessing from my dad. Hakuna kumwe
kuropafadzwa kwaizova kunze kweshoko rekuti "may God prosper you and
make you heads and never tails". Prosperity in every aspect. Be it wealth,
health, in my marriage, etc. Vakatibata maoko vakatisimudza
ndokutimbundira tose pamwechete. Tezvara naambuya vakaita the same
vamwe vose vakatevera. Madzimai avana tsano aindibata hawo mumaoko
ava zvipfuva zvavo zvaiyera kwandiri. Takazobuda hedu panze tava kuenda
kunogocha panze nyama dzemarudzi ose nesadza vana ambuya vangu
vakagadzira ma salads. Tsano Cliff ndivo pavakasvika naCeline wavakanga
vanotora achinyeperwa kuti pano hapana anonzwa chirungu. Dai sis vake
vasina kuzopindira kanga kaona moto kamurungu ndivo vakazomuudza kuti
munhu wese aivapo kusvika kuzvicheche ainzwa chirungu. Hanzi na tsano "
sis dai mamurega imi mukaenda kunyika kwavo munonotaura navo neshona
here imi."

Sadza akatozopiwa fork and knife akaritadza kuritimba zvaiita vamwe. Tsano
Cliff na tsano Reg vakqnodyira pavo vega hameno zvaitaurwa. Pakanga
pasina kuitwa zvema rice zviya asi nyama ndidzo dzawaingozvitorera choice
yako uye yawaingoonawo kuti unopedza nema salads ema tomatoes, onions
and cucumbers. Takadya nyama kusvika tangoitarisa. Pakazoitwa munamato
tikaparadzana hedu kuma 11 chaiko tikangosvika nekuvata. Zuva rakatevera
ndiro raiva last day redu muZimbabwe. Our flight had been rescheduled for 4
January saka takanga takuzosimuka 3 January makuseni kuenda ku Jo'burg.
Mudzimai wangu akaswera na mother achivaonesa zvavaizosara vachiita.
Rue aimbosara aizotevera musi wa 1 March after aregister. Mabook ake
mamwe taizotunganira nawo syllabus guide yakanga yawanikwa mabook

105 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
akatsvagwa. Saka ndakakumbira tsano Reginald kuti vagonomukwidza
kuBulawayo uye ndivo vakasara ne Benz yangu kuti vawane chekufambisa
kuenda kubasa. Ndakanga ndati vatore imwe imba yanga yasara isina munhu
ku hospital vakaramba hanzi " I'm comfortable kumba kwebrother yangu."

Dad pama projects aDaphne he was doing so good mota vaiva nayo
yekufambisa Ford Ranger yatakavapa. Mari yaingopinda mu account yehuku
nemazai nema vegetables akanga ava kurimwa zvine unyanzvi. Vaitouya
vanhu vachitenga muriwo nacarrots umwe vaitakura pataienda kuchurch
nekuti every Sunday vaitouya ne more than $50 yemari yaitengwa muriwo in
advance nevanhu vaiti muriwo wacho wainakisa. Daphne akabva avati mari
yose yavaitengesa muriwo ndeyavo yekuisawo muhomwe mavo.
Vakasiirwa $1500 yekuti vagobatsirika pamba akabudawo na mother
vakanoita shopping ye groceries. Pay yavo vaizongopiwa na dad nekuti
taizotumira kwavari. Grace vaizonomusiya ku chikoro kwake musi wa 11
January nekuti zvikoro zvaivhurwa 12 January.

"Pane ka project kandiri kunamatira kuti Mwari vandigonese ndigotanga.


Saka kana ndaita layout yacho ikabuda ndichakuudzai."

"Don't hesitate to tell us tinokubatsirai kana muchida capital. Uye totanga


taonawo kuti rakakodzera here basa racho. Kana tikaona risingaiti munogara
henyu pano hatina kukonewa kukuchengetayi."

Musi wa 3 takaenda ku airport. Yakava misodzi ndichipesana na dad vangu.


Mwana wangu akachema veduwee asingadi kuparadzana na sekuru vake.
Akatozonyarara ndege yasimuka plus akaonawo tsano Doug vakanyarara.
Vana tsano Derrick vakatora tsano Doug kuti vambonogara navo ku south
vozodzoka mama vapona. Dumbu ravowo raikurisa kuita sezvaiita Daphne
considering kuti vaiva pa 5 months.

106 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Daphne kaiva kekutanga kukwaira ndege asi haana kurutsa hake zvaiita
vamwe. 9:30 am taiburuka pa airport kuJorburg tikatambirwa nadriver
watsano ne limousine ndokuenda kumba kwavo ku Centurion. Haaa imika
ndaingonzwa kuti tsano vane zvinhu zvavo ndichifunga kuti tiri musame
league. Yaitova first time yangu kusvika pamba pavo and pamba pega
pakatondiudza kuti uyu murume haana kuchipa. Neighborhood yose
tichisvika vaingova varungu chete. Limousine ndakatozoona kuti yaisava 1
but a fleet of them nedzimwe dzaiita sedzichatikwazisa dzaiva ku car port
yakanga yakavakirwa zvakanaka. Imba yacho kana yatsano Derrick yeku
Gweru east yakanga kari kacheche chaiko.

Takangoti zororeyi tikazotenderera tichiratidzwa a few of his businesses.


Haaa I was challenged. Ndakatoona kuti entrepreneurship was in the blood
tichitarisa kubva kuna madhara acho kusvika kuna Daphne wandakawana
asimuka zvinotyisa in a space of 4 months. Ndakatarisa 10 years kubva
pataiva ndikawona a business woman in my wife mukurusa aizodengenyetsa
guta chaiko and I vowed kuti I will support her all the way to the top.

Takaratidzwawo hotel yavakapemberera nayo vana tsano Dillan haaa


ndakaona kuti shuwa kana munhu achipemberera munhu ne hotel iye
anenge achisara neyi mudura make. Ko kuzoita private jet ne boathouse
munhu mutema nhai zvataifunga kuti zvinongoperera kuvarungu. What I
admired most pavanhu vacho was not mazipfuma ayo but the humility
yavaiva nayo kunze uko. Kuzvininipisa kunoshamisa chaiko asi pataisvika
pose pataifamba ndipo pandakaona kuti tsano vangu despite his age vaiva
munhu mukuru.

Ndiyo yakazoita lullaby yedu tichingotaura zvatakaswera tichiona


nemukadzi wangu.

4 January taibhururuka nemhuri takananga ku Canada tiri mu business class.


Takawana Mr Burner varipo nemudzimai wavo nababa vaCeline. Vakafara
veduwee vachiona mudzimai wangu nevana kukatonzi mopota
muchindisiira vana muchienda kuchikoro na Mrs Burner. Hanzi "I'm offering

107 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
to baby sit for you." Takavaudza kuti maid ari kutevera vakati she didn't
mind aizoita hake other household chores ivo vachiswera nevana. Kumba
yaiva same order takawana kwakarongeka kare. Mota dzedu dzekushandisa
dzaivapo sepakutanga. Rent yangu ndakanga ndatumira way way in advance
yegore rose. Vakazotisiya havo pamba to settle ndikawanawo nguva
yekutenderera nemhuri ndichivaratidza musha wataizogara kwemakore
mana aitevera and my wife was impressed. Aitanga chikoro music wa 15
January iniwo basa ndaizotanga beginning of February. Takafonerawo
hama kumusha tichivaudza kuti tasvika zvakanaka. Murehwa vakatanga
nekubvunza bhururu wavo wavakanga vapesana naye iri misodzi
vakaudzwa kuti "grandpa l will bring you an aeroplane".

Pasina mazuva takanga ta settler uye kutaura nehama neshamwari kumusha


hatina kurega. They were all doing great uye pafamily group chat nyaya
yakanga yotsviriridza yakanga iri yemuchato watsano Derrick wakanga
waiswa pana 14 April. Takanga tisati tava nechokwadi kuti taizobudirira here
kuenda sevanhu vaizenge vachangotanga basa uye Dee achangotanga
chikoro. Mrs Burner vaitova serious nhai vaiuya vachitora vana every
morning vodzoka navo manheru. She was soon good with kids.

Musiwo wekuti mainini Rue vachiuya wakasvika akaperekedzwa kuairport


na tsano Reginald na tsano Cliff. Avawo ava vakanga vaita kamwe
kakuwirirana kari serious ndofunga nyaya yaiva yekuti vaigara under one
roof. Time dzavakasimuka kuBulawayo isu takanga tichakasvinura hedu
kuna 7. Ndakatanga kuvhura mastatus updates ndiye dhuma namainini Rue
vakamonerwa pa airport pakanyorwa kuti " missing you already my Rue.
Usandikanganwawo, ndichakumirira"

Zvaisamboda kuudzirwa izvi kuti vanhu vari murudo ava.

Ndiyani futi amonera mwana pa airport?

108 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Havana kumhanya here mainini maronda achiri manyoro?

109 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 10
Daphne

Chandakaona ndikadzidza muupenyu ndechekuti panoita chakanaka


mumhuri satan haatombofari zvachose. Chinhu chinonzi unity uye peace
zvinorwiswa zvakanyanya nasatan nekuti mufaro wake uri
munyonganyonga kurwaazvake mazvake uye bopoto. Kunyangwe mu
marriage ndakatodzidza nekuda kwesituation yandakambopindana nayo
kuti satan anorwisa wanano nekuti shoko rinoti satan akauya kuba kuuraya
nekuparadza asi Mwari vakauya to give us life in abundance.
Mazungunutsirwo akaitwa marriage yangu ndakanga ndatoona ndava
returned army general kwaMpofu asi pandakangopunyuka chete
ndakadzidza kuti haisi nyaya yekuti ndinowana zvese ndiri pamutambara
kede aiwa, munhu wemudzimai ngaagare pamabvi nemagokora kuti imba
yake imire. Thanx to muroora wangu akamira neni pazvairema and
ndakadzidza zvakawanda kubva kwaari kubvira achibva kumusha achisvika
mufamily medu she was just a blessing. Akasunganidza neuchenjeri
zvakanga zvakapfunzunuka and handinyari kutaura kuti mhuri
yekwaMpofu chimiro chaicho chainacho iwisdom yemwanasikana
watakapuwa mumusha, who can stand as a counselor where there is need for
that, a unifier, a mother, an aunt, and above all a prayer warrior. She could
fight any battle nemabvi kwete nezvibhakera. And ndaiti ndikatarisa
kumashure ndaiona kuti ndakapotsa ndazviruza pandakada kumboita
kusvora kuti munhu anobva kumusha asi humility yaiva mavari
ndakakurumidza kudzoka ndega ndikazvinyarira. Pane munhu anongodika
so zvekuti iwe wega hauna anombokutuma kana kumanikidza asi
kutongoshaya choice wotongoda munhu.

She taught me to pray, to trust in God when storms arise, to humble myself
before the Lord and he will lift me up, uyezve kumira ndakasimba chero

110 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
mafungu akasimuka nesimba. Pane song yandaigaronzwa vachiimba inonzi

"He is the Lord, who holds our hands, under the shadow of his wings we
cared,

When an enemy comes in like a flood, the spirit of the Lord raises a standard
against him"

Ndakatoona kuti satan akanga atoona kare role yakakura yandanga


ndakatarisana nayo yekuva vatete kuvana vehanzvadzi dzangu akada
kuzvidira jecha, kurerutsa, kudonhedza chikero che value nekuti
munomboziva henyu chero ukadzidza zvakadii, chero ukava nemari
yakawanda sei, chikero chekuva vatete vanotarisirwa kuraira vazukuru
chinongoderera so ukava returned soldier, havatombotarisa kuti aiva wrong
ndiyani uye kuti zvakafamba sei kuti udzoke pamba asi kuti
rinongobatisiswa nderekuti "yake imba akaitadza wani."

Chiremera chose chinokumurwa.

Patanga toti zvoyendeka, mukwasha one ega wemumusha adzoka muform


ari full force, mhuri ichiropafadzwa nevana vanoyevedza , taungana tichiti
tofara pamwechete semhuri, pataifanira kuti tipembere mufaro wakapetwa
tichifarira imwe Mhofu yakanga yauya kumusha, mhepo dzikasimuka
nesimba, Mhofu vakuru vaka furaiwa nemukadzi wavo, ahhh zvakabhowa
zvikati kurwadza. Mufaro wese wakaita mwedzi yakati wandei uchigadzirwa
wakashanduka ukava kusuwa kukuru within seconds. Asi takakudza Mwari
kuti vanosimudza vanhu mumhuri kana munharaunda kuitira nguva
dzakaita saidzodzi. Mkoma Reginald was right on time nekuti wangu
murume akanga achakavhiringwa nenyaya yaZex asi mukoma vakamira
chose. Ndakambobatikana nekusundiwa kwakaitwa muroora wangu
akaminyuka hudyu asi ndakazofara pandakamufonera manheru ndichida
kunzwa kuti ava sei akandiudza kuti " ndanyengererwa maiguru".

111 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Mkoma Reginald ndakafara kuti vakazosununguka kuva part of the family.
Vakanga vakambosungika asi ndakatozonzwa baba Jnr vachiti vakanga
vabvuma kusara pa hospital uye vakati vaizogara kumba kwa baba Fadzi. Ma
plans ose aiva mugwara. Mufaro watakanga tichida kubirwa nasatani
wakanga wadzoka zvakare zvine power.

Ndakanga ndakazara nemufaro mandiri ndichikudza Mwari


nekurangarirawo upenyu hwangu. Akadzima my ugly past akaisa rugare
mandiri. I had no doubt kuti ndaidikwa hangu nachiremba. Kusarudza
kusiya zvose vachinondimirira kusvika ndapedza 4 years dzeku University.
Umwe kana atombokutendera kuti enda hako unongoenda wega ugonofa
nezemo wega ikoko pamwe iye kutosara achitsvaga zvinomuvaraidza
achidyiwa mari nekukokotana nezvirwere. Asi murume wangu akasarudza
kuenda nemhuri yake ini mudzimai wake nevana. Mhuri dzakawanda
dzinoparara nekuda kwekuti baba kana mai vanosiya mhuri vachiti
vonodzidza kana kutsvaga kushandira mhuri asi zvozopedzisira zvava
zvimwe. Vamwe vana vanokura vasina direction vangosiiwa nehama
dzimwe dzisina rudo kana rairo yakanaka vopedzisira dzangova mombe
dzemashanga. Asi murume wangu akati mudiwa wangu pauri ndipo pandiri
nevana vedu. Kunyangwe pakutanga pandaifanira kunoita doctor urongwa
hwaiva hwekuti tinoenda tose semhuri satan akamboda kuvhiringa.

Samai pamusha ndaimirawo chose kuona kuti zverwendo zvakarongeka uye


vanosara vanosarawo vakarongedzerwa. Murehwa ndivo vaizosara pamba
na mother vaivabatsira. Zvaingoendeka so mother vaiva munhu akanyorova
uye anozvideredza. Chero pandaivaudza zvekusara vachiita pavaisanzwisisa
vaibvunza vasingatarisi kuti ndiri mwanana kwavari. Ma groceries
ndakaenda navo kunotenga kuitira kuti vagoziva zvekuita kana vasara.

Pana murehwa ndakaona shanduko yakatyisa chero mwana wavo


aingokatyamarawo. Ini hangu lifestyle yavo ndakanga ndangoita yekuudzwa
chete asi zvishoma zvandakaona pamazuva mashoma iwayo andakaziva zva
iratidza kuti paiva nebasa guru. Asi munamatiro wavakanga voita taingoti
dai waro mwari anzwa minamato yavo. Ndiyo imwe blessing yatakanga

112 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
takarasikirwa nayo nekuti vaiti kana vonamata vaibata mhuri yose one by
one vachidoma nemazita vachiporofita zvakanaka chete pamusoro peumwe
neumwe. Maprojects angu ndivo vakanga vava kumaita hanzi
hanmungatsvagi munhu ndiripo ndinoita basa reyi. Vaiita nemoyo wavo vese
ini ndakanga ndisisatomboda kuonekwa kuzvirugwi hanzi chenyu mhai
kundichengetera madzimai angu. Mota yatakavapa yaibatwa kunge zai
chairo ndiyo yaishandiswa for ma deliveries. Vakanga votozikanwa nema
customer ose kut vatezvara vamai 2. Vamwe vakatombondifonera vachiti
vakanga vachiitisana nharo kuti nditezvara here kana kuti mukoma wababa 2.
Ko charm yose yakadzoka kuita kubvumiwa nemapiritsi chokwadi. Vanenge
vakakasisirisa kuita mwana ava nekuti chokwadi Chris aitoita semunin'ina
wavo. He was so hardworking hanzi I should keep fit.

Garden rakanga roitwa zviri professional chaizvo takazoseka paitwa ka


greenhouse paspace dikidiki iyoyo hanzi chando chava kuzouya. Ndakati dai
tiine purazi chokwadi vaizoita madanha.

Zvose pazvakanga zvava set neniwo ndagutsikana kuti zvaita takasimuka


musi was 3 takananga ku airport. It was an emotional moment tichiparadzana
nehama. Mwana wangu akachema veduwee akanga awirirana na murehwa
kudarika zvaaiita na baba Muzambi. Akatozonyarara ndege yasimuka
achiona sekuru Doug vakanyarara. Baba Chichi vakati vaida kumbonogara
naye muningina wavo kuSouth Africa vaizomudzosa mama vabatsirwa.
Vakanga vava pa 6 months and naivowo vaitova nema doubts kuti
kumuchato wa baba Chichi vaizobudirira nekuti ndiwo aiva mazuva avo
ekubatsirwa. Yaiva first time yemurume wangu kusvika kumba kwaana
tsano Derrick. Akapera mweya nezvaakaona. Patakasvika ku hotel
yavakanga vapemberera nayo baba Fadzi pamuchato zvakanzi " ummm kana
munhu achikwachura pakadai to give as a gift ko kuzoti pasara pakadii"

Kutaura chokwadi wakatarisa mukoma Derrick waisatombofungira kuti vane


upfumi hwakadaro. Ko private jet, ko boathouse.

"Tete ini ndinombosvika pandinongochema ndiri ndega ndichifunga

113 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kwandakabva nepandava. Ndinombotadza kuzvibvuma kuti chokwadi
ndiniwo here ndava pakadai ndichitarisa kunyangwe past yangu chaiyo
kwandakabva. Hanzvadzi yenyu ndinoshaya kuti ndomuitireyi chaizvo
kuratidza appreciation yangu nekuti zvose ndinongoona zvisingaenderane.
Did you know kuti we have a home in Malaysia, yakatengwa in my name
hanzi its a wedding gift in advance uye kunditenda nekumuitira mwana.
Munorangarira here ku Harare paya pa welcome party ya Chichi pavakati
handina chipo chandinokupa ikozvino asi uchaona zvandinoda kukuitira.
Ndicho chipo chacho mufunge. Takaenda kunoiona tete handina kana
remuromo. I hated man maiguru and ndakanga ndazviudza kuti handiroorwi
I will live single asi Derrick akandiratidza kuti unconditional love is real.
Kubasa ndakanzi ndisaenda we have enough to sustain a nation kkk. Asi
ndakaona kuti hangu handingazvigoni zvekungogara. He helped me to start
an organisation inoshanda nevasikana who are victims of physical and sexual
abuse. Ichiri muno mu South Africa chete asi ndakatoona kuti back home
ndiko kune need yakakura uye madzimai nevasikana vazhinji vanoda
support. Vazhinji vanova so broken zvekuti vanozongorarama uyanga
vasisina hope yekuti they can be loved after rape kana kuti vakamitisiwa
vakarambwa vamwe vanobva vaita chiramwa vobva vatongoti chero
zvazvaita. Saka next week chaiyo ndiri kutotanga kuenda kuchikoro
ndichaita counseling zvangu ndakamirira kuzotanga degree rangu in Social
Sciences."

"Rumbidzai Mwari maiguru. Variko vanotoshuvawo kuva pa position yenyu


iyoyi. Ndiyo nguva yekutosimba pamabvi iyoyi kunamatira ma marriages
edu nekuti satan haazorori and haafari kana mumhuri muine rugare. Pain
owing unit sea marriage munoshaya kana simba rekunamata bvunzai ini. Dai
pasina maid wandakapiwa naMwari dai ndingadai ndisipo pano nhasi
pamwe ndakatozviuraya.Tsvagai church yekupinda inonamatwa Mwari
mupenyu nekuti vanhu vazhinji vakaitirwa nyasha dzamakaitirwa idzi
vanokoshiwa kuziva kuti zvakabva kuna Mwari voona sekuti kuchenjera
kwavo. Pavanozopepuka satan anenge apfukuta kare."

114 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakashamisika kuti nyaya hangu yaitovawo itsva kwavari maiguru mai
Fadzi Havana kufukura hapwa bodo. Ndakazongovaudza hangu nyaya
yacho in detail.

Ndiyo nyaya yatakatsvagisa hope nemurume wangu tava kuvata. Akanzwa


kuninipiswa kuzhinji nepakanga pasvika tsano vake asi vasingambozviratidzi
havo. Rudo chairwo zvaisamboda kuudzirwa kuti vaviri vanodanana. Iniwo
ipapo ndipo pandakatozivawo kuti maiguru vangu taiva ne past yakada
kufanana. Ndakazvitarisa futi ndikaona kuti maiguru mai Fadzi played a
very big role paupenyu hwedu tose tiri vaviri. Ndainamata kuti dai Mwari
avapa upenyu hwakareba hune mufaro nerugare.

Takazopfuurira mberi nerwendo ini excitement ndiyo yakanga yakandizadza.


Ndaifunga kuti ndiniwo here ndava kuzonoita 4 years ndiri kuCanada
nemhuri yangu. Pakadaro shuwa ndotadza kutenda Mwari here.

Takasvika takamirirwa pa airport na Mr and Mrs Burner. Yaiva first time


yedu kusangana asi vakaita mufaro wakaita kunge vaona hama yavo
yavakapesana navo kwemakore. Baba Celine vakauya zvakare kuzotitambira.
Baba Jnr ndivo vakatozodriver baba namai Burner vatoti kwati kwati nema
twins umwe neumwe wake. Takasvika kumba yawaifunga kuti asi tatosvika
kudenga kwacho kuti kunaka. Zvose zvaivapo kunyangwe nemota
dzekushandisa. Takatenderera tichiratidzwa musha haiwa ndakapa kutenda.
Mrs Burner pavakati vanoda kuita baby sitting ndakamboti vaitamba ini
ndikatozonzwa vafona the followin0g day vachiti vari kuuya kuzotora vana.
Hanzi ndoda vanondivaraidza ndinoita hangu baby sit for no pay.
Ndakavaudza kuti maid aitevera vakati anoita zvimwe vana ndevavo.
Ndakatombobatwa nemweya wekuti Rue achirega kuuya asi baba Jnr
vakaramba.

115 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Vangarwadziwa Dee nekuti vakatozviudza kuti vari kuuya ku Canada for
four years tozongoti tava kuno vakabata ticket mumaoko tovati hamuchauya
chero uriwe shaa. After all its our best way to appreciate her nekumira
kwaakaita newe panguva yakaoma. Ndiwo maonero angu."

He was right. Mainini Rue vakamira neni kunyangwe pamunyengetero


chaipo. Vakandisimudzira spiritually pandakanga ndavhiringika ndisisina
tariro. Akamisikidza zvose pamusha uye kuchengeta mwana pandakanga
ndiri physically weak. She was just a darling and ndakaonawo kuti she
deserved that honor.

Vana Havana kutombotana kujairana na Mrs Burner. Waitoona kujambira


poga poga pavaiuya kuzovatora. Jnr anga ava kunyatsogona kutaura fluent
English and chero healthwise handina kuita chishoro.

Murehwa ndakanga ndavasiira account yekuisa mari yavaizoshanda. Poga


poga vaitumira pic redeposit inenge yaitwa. And ma sales akanga achiwanda
kutodarika zvaaiita ndiripo. Marketing was in him nekuti pasina nguva
vakanga vatova nemamwe ma customer manyuwani. Pick and pay, OK ne
choppies vakanga vava kusuppliwa mazai.

Mother na mainini Rue ndaitaura navo almost everyday kunyangwe na tete


Grace ndaitaura navo pama weekends. Ndakanga ndatanga kuenda
kuchikoro Chris akanga ava kuendawo kubasa kwake. Zvakambotanga
zvichioma nekusajaira asi within a week ndakanga ndatopindawo mutune.
Zvakanga zvakanaka kuti tose taitanga and ku business studies kwakanga
kuine ma Africans akawanda kutodarika varungu.

Muchato wamukoma Derrick ndiwo manje wakanga wava talk of the


moment. Waitogara waona ma fireworks chaiwo before the day. Ko isu

116 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
takanga taitaka rombo rakanaka kusvika pa venue paizoitirwa muchato and it
was just mwaaa. It was sad kuti takanga tatozviona kuti hatizobudiriri
kuvapo pachiitiko ichi. Mumwe nemumwe aiisa contribution yake pa family
group and zvoga izvozvo zvairatidza kubatana kwakakura. Mkoma Reginald
navowo vakanga vaitwa add mugroup re family naivowo vai contributa
zvakanyanya. Ndakanzwa baba Jnr vachiti tsano Reginald vakatenga stand
ku Southview Park along Bulawayo road. Ndakataurawo navo
ndichivakorokotedza. Ndakabva ndaita musikanzwa ndikavakorokotedza pa
group. Hapana wavakanga vaudza kunze kwemukwasha hanzi ndakangoona
sekuti hazvina basa.

@baba Chichi: We are family here mkoma saka chero mumwe wedu akatenga
tsono chaiyo we celebrate together. You are part of us now and ndimi blaz
vava panzvimbo now saka motoziva kuti takutotarisa kwamuri now as our
elder brother. Saka motosununguka henyu mkoma momira panzvimbo. Isu
we respect protocol.

Ava ndibaba Chichi vaitaura ava. Ndakanzwa vava kuti

@vaba Chichi:Ko mukadzi nemurume vari kuita makwikwi e typing muri


kuda kutaureyi ini baba ndapedza"

Kwairehwa baba namai Fadzi vaitypa. Yamai Fadzi ndiyo yakatanga kupinda

INI: Ko mamboti pava nevakuru wani?

117 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
@mai Daphne: Hameno kuti kuchagara ani kustand ikoko nekuti ini
ndatojaira barika rangu zvino kuti mumwe achibva pakaipa

Baba Fadzi vakabva vamira typing ndikazoona vaisa tuma emoji twakavhura
maziso. We were just one big and happy family zvisineyi kuti taiva
kunzvimbo dziri kure nakure. Zvainakidza chose and pataisangana pa group
zvaiita sekuti takanga tiripo tose takaungana tichionana. Chero uri pauri
wega you could feel that love was in the air.

Vana dad vakapedzisira vabuda mugroup macho nekuti vana vacho vaizoita
havo delete for everyone asi vatomborasika.

Tete zvaifaya kuchikoro Murehwa vakanga vasingagoni kani vachiti


vakasvika vaine moto waipfuta pa MCS ne two months vakanga
vazungunutsa. It was in the blood shuwa.

Mainini Rue vakaregisterwo vakatanga kugadzirira zvekuti vatevere


kuCanada. Takakumbira tsano Reginald kuti vagonosiya vamukwidza ku
airport. Ndaitaura navo mainini zvakanyanya nekuti kubva kwatakaita
takasiya vari devastated nekurasiswa kwavakaitwa nemukomana wavo. Asi
mukutaura kwataiita ndakaona kuti she had managed to get over it. Musi
wavakasimuka ndakaona status ya Cliff vari pa airport na mainini kureva
kuti vakanga vaenda vose na tsano Reginald. Zviripo zvaunotoona kuti izvi
hazvisisiri zveushamwari izvi zvava zvimwe zvakapfuura ipapo. Kungoti
maonero nemafungiro anosiyana nekuti ini ndakanga ndaona sekuti vakanga
vanyanya kumhanya munhu akanga achangoita breakup neumwe
akamuchemedza kuita seachafa. Asi sekutaura kwandaita kuti maonero
anosiyana, baba Jnr vakaitawo maonero avo.

118 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Hazvina formula izvi hun zvekupinda murudo. Ndiko kusaka uchiona
vamwe vachiti akapfimba nhasi mangwana atodiwa, vamwe anozodikwa
apera shangu nekufambira, vamwe vanodanana nhasi next month
vatoroorana vamwe vanoita 5 years chaidzo vari mu courtship. Ini
ndakangoti maresults asati abuda wani ndikatotora zvinhu zvangu kuti
ndichengete ndega. Dai ndakateerera tsano Derrick vaivava kuti usaroorwa
pamwe tingadai tisiri tose nhasi. Chinoita parudo inyaya yevaviri vari mukati
marwo. Usually pakazoita wechitatu anoda kuzopinza ake mafungiro
ezvaanofunga kuti zvinoshanda kana kuti maitiro ake aanoda iye then
panogona kuita dambudziko. Regai vasvike mainini tinzwe kuti ndizvo here
zvatiri kufunga. Isu tovapo to guide her not to judge her."

Tsananguro yavo yaiita seiri complicated asi ndakanzwisisa hangu


zvavaitaura. Akanomirirwa muJorburg na mai Chichi vakamubatsira ku
connecta to Canada akawanawo tiripo pa airport takàmumirira. She was
crying nzira yose kusvika kumba. Ndakamboda kumunyararidza asi baba Jnr
vakandibata pachidzva changu vakati ndisiye akadaro. Takasvika ndikapinda
naye muroom maaizoshandisa tikanamata first kutenda Mwari
nekufambiswa zvakanaka nekutika its not obvious kuti kana wasimuka
unosvika asi kuti panotoda nyasha dzaMwari.

"Sis na babamkuru handizivi kuti ndingakutendai nei. These are tears of joy.
Handina kumbofunga kuti ndichasvika pandiri nhasi worse kukwirawo
ndege munhu wahouse girl. Pane pandaimboomerwa neupenyu zvekuti
ndaitombofunga kuita give up asi nhasi ndiri pano. Ndotenda Mwari
vakandisanganisa nemi. Mwari vakuropafadzeyi"

"Chakakosha mainini kuziva zvaunoda neupenyu hwako. Nekuti


mukasachenjera zvose izvozvi zvinogona kushaya basa izvi. Take advantage
yemukana wega wega unouya mu upenyu hwenyu mobatisisa. Machallenges

119 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
achiuya moatora se stepping stone kuenda mberi. Never allow challenges
weigh you down."

Ndakabva ndatotora mukana iwoyo pakabuda baba Jnr kubvunza nezve


status yandakanga ndaona. Haana kuvanza kuti na Cliff vakanga vadanana.

"Hatina kudanana kare isu sis. Akandinyenga a day after pandakarasiswa


nemukomana uya asi akati we can be friends kusvika ndava ready kupinda
murudo zvakare. Saka last week ex akadzoka ku South Africa akatanga
kunditsvaga through mai mfundisi ndivo vakamuudza kwekundiwana.
Haana kana kuvaudza kuti akaroora asi kuti taidanana vaizviziva nekuti
takadanana mazuva andaishanda kumba kwavo. Saka akatanga aisa message
sezvineiwo yakasvika ndiri kushop kwaana mai Fadzi kwaiva ne clearance
sale saka vakakumbira kuti ndinobatsira, uye Cliff ndiye aiva nephone yangu.
Aiti anoda kundiona musi iwoyo saka mai Fadzi vakati ndimuti auye.
Akatouya achi driver WISH kuda aifunga kuti ndichadyira. Anga ava kutaura
kuti vakaita mistake ini ndini waaida zvechokwadi saka he is willing
kusiyana nemukadzi akamutizira oroora ini hanzi mari yacho ndinotova nayo.
Saka ndakangomuudzawo kuti hazvichagoneka. Mai Fadzi vakazotaurawo
naye kuti achisiyana neni aite zvemhuri yake. Saka takazongoona kuti
tidanane sevanhu vanga vava kuparadzana uye Cliff anga akutyira kuti
pamwe ndogona kuzoita dzimwe pfungwa ndikadzokera kuna ex."

"Asi ini munomuda here Cliff mainini?"

"Hongu sis ndinomuda."

120 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndiyo mhinduro yandaingoda kunzwa. Ndakamurairawo one or two words
kungoti munhu wacho aiteerera hake.

Mazuva akafamba uye zvinhu zvaiendeka semarongero atakanga taita


chaiwo. Zvikoro zvakavharwa tete Grace vakabuda ne ma subjects ose vari
second position vaine 9 As ne 1B kuchinzi first position aiva ne 12 straight As.
Murehwa ndivo vakanovatora kuchikoro.

Mazuva emuchato wa baba Chichi akasvika vaichata 13 April. Baba namai


Fadzi pakangovharwa zvikoro musi was 3 April vakabva vatotungamira
kunobatsira. Vakaenda naNyasha na maid wavo. Vaimubata semwana
wavo chaiye vaiti vaishuvirawo kuti azobva mumaoko avo ava pane imwe
level. Chokwadiwo ndakatarisa mauyiro akaita Jane achibva kumusha huri
hutsu zvaho hapana aimbofunga kuti she was going to last a week.
Ndakasarenda patience dzaiva namaigururu vangu. Zvino wanga
uchamuziva here Jane ava chimhandara ganda rodairira mvura. Ko iko
kuumbika waitofunga kuti muningina wamai Fadzi. Aiva munhu ane body
yaikasira kukura asi yakanga yakadzikama zvose zvaiva paari zvairatidza
kuti zvichiri fresh chero mazamu chaiwo anga achakamira kuti twiii. Kana
aizozvibata hake aitorwa neatanga nekuti chero pachiso akanga akazamiwa.
Dzungu rose raakauya ainaro rakanga rapera kuti dhuuu. Ndosaka ndati
maiguru vangu vaiva nemoyo murefu nekuti dai ndaiva ini pamazuva iwayo
ndaimuka ndichimukwidza bhazi kudzokera kumusha.

Asi ndakadzidza kubva kuna maiguru vangu kuti kunyangwe vachienda on


holiday as a family vaienda namaid wavo vaiti she is part of us. Chero pama
family gatherings vaisamusiya kunze. Apa kumuchato aitosara hake nenyaya
yekuti vaiti passport yake haisati yabuda plus vaida kuti ambonoonawo
vabereki vake since December akazotadza kuenda.

121 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Tsano Reginald vaiti vachazoenda musi wa 13 April chaiwo musi wemuchato
by air nekuti 12 vaizenge vari pa basa. Flight yavo yaizosvika mu jorburg na 9
vachingonanga kumuchato waitanga na 10. Mhofu snr vakanga
vachangobudawo mu hospital after two months of admission asi tsano
Reginald vaiti vava nani chose uye vaitumira ma pics e every stage apa
kwanga kwangosara mavanga chete. Ivowo vaizosimuka musi wa 12 by air
asi mama vakanga vasingaendi vanga vakurirwa zvakanyanya vainzi vava
kutambura chero kuvata vanovata pa floor chaipo kkkk.

Baba namai Muzambi vaiti vaizosimuka musi wa 11 by road since vaienda na


Murehwa vakanga vasina mari ye plane. Ndakabatikana veduwee isuwo
hatina kumbenge tavanzwa kuti vaida kuenda here kumuchato. Ndakabva
ndatovafonera ndichivaudza kuti ndakutumira mari yavo yendege vagobva
vabatana wo nana Mhofu. Mother vaisara havo pamba na Grace vose
vakanga vasina ma passports. Ndakanzwa dad vachiti vakakumbira mama
mai Reginald kuti vazosara na mama kuLundi Park ivo vaiti vanongoti
muchato uchipera votodzoka asi vana mai Fadzi vaimbosara holiday yose.

The big day finally arrived. Waingoona kurongeka and the whole function
was broadcast live on Facebook. Waingoona kurongeka kwega kwega
nekuita kwemari. Mai Chichi kuita ngirozi chaiyo in her mermaid dress
vachipinda vakabatwa nababa vavo Doctor Khumalo. Everything was just
mwaaa kubva ku deco, gown ra bride, suit yagroom and everything. Baba na
mai Fadzi ndivo vaiva ma best haaa imika kutaurirwa hunyimwa. Tsano
Doug jnr ndivo vaiva page boy in his champaign suit and dark gold bowtie.
Mainini Nyasha waizombovaziva here vari pa line revaperekedzi. Ka mini
bride handina kukaziva hangu kuti ndiyani kanenge kaiva keko ku south.
Maiguru mai Shamma ndivo vaiva matron of honor vakati vaizvigona
nekungwarira kwavo. Vana Mhofu waizombovaziva here nekuchena.
Mhofu snr vanga vadzikira chose nekurwara dumbu pakanga pasisina. I also
spotted tsano Reginald vakagara na mukoma Khumbu in their checked suits
dzechampagne and dark gold. Eish iri breed rekwa Mhofu zvava zvinhu
haiwa ndakapa kutenda hangu. Sepa photo shoot vaiita kunge ma triplets
chaiwo.

Day iri vana taizonobva nawo kwa Mrs Burner vakanga vasingauyi navo.
Vanga vati inviter for dinner saka taienda tose na Rue. Akanga amboramba

122 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
asi ndakamuti aifanirawo kuwana exposure pane kungogara akazvivharira.
Road yose taingotaura zvemuchato taitoita kunge takanga tiripo.

"Babe tichisvika kuZimbabwe tisati tatomboita graduation party first thing


kuchata. Muchato watsano wandikodzonga ndanzwa kudenhwa chaiko. In
fact everything about vana tsano vangu zviri kundi challenger and I have
learnt a lot kubva kwavari."

"Ko tenge taugadzira nguvai muchato wacho isu tiri kuno"

"Kuva kuno kwedu hakuna chakunotadzisa babe. Tsano vatisetera standard.


Kuchaya mapoto kunofanira kupera uku. Our wedding ndiyo ichaita party
yedu yekudzokera kumba."

Takasvika tikamhanyirwa na jnr murungu. Takanga tava kutoti kana tava


kumba totaura naye neshona kuti asazoikanganwa zvachose.

Vana Dee vakanga vachikura zvinoyevedza vatova kukambaira vanga vava


ne 6 months.

Takazobvako late kuma 10 chaiko. Ndidzo nguva dzakaperawo muchato ku


Africa ikoko dzaiva kuma 5 zuva rovira.

Kuseni seni kuma 4 ndakavhundutswa ne noise yakaitwa na baba jnr


pavakati "Whaaat? I cannot believe this?"

123 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakanzwawo msg ichipinda mu phone mangu ndikavhura ndikaona image
yakanga yakandwa na tsano Reginald pa family group. Ndakangoshamawo
muromo ini zvekupererwa chaizvo.

@Tsano Reg: Tawedzerwa zvinoshamisa mumhuri. Four beautiful angels


were added unto us.

@Baba Daphne: Matiiko blaz apa?

@Baba Chichi: was about to ask the same.

@Tsano Reg: Those four angels landed an hour ago. Mama vabatsirwa ma
quads ku Zim. Ndatumirwa pic na mai Reg ndivo variko as we speak.

Mama vavo vaivadana vachiti mai Reg kkk. Mama mai Mhofu vachivati
mama. Pasina nguva ndakaona "Baba Chichi added mama4." Ndiwo
masevhero andakanga ndakavaita. Mama Agah vaishandisa line raiva
ramama the late saka ndakariti mama1, mai Muzambi mama2, mai
vekuKwekwe vekusungwa avo mama3, pakauya mai Reg ndikavati mama4.

@Baba Chichi: Welcome mama. Sorii nekungokukandai mu group. Ndimi


mungatiudza chokwadi.

124 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
@mama4: kkkk hapana chakaipa. Ichokwadi mainini vabatsirwa 4 girls 21:15.
Vaitwa opp vakonewa kuvapusha. Ndiko kwandiri izvozvi asi havasati
vamuka. Bamunini handina kuvaudza ndaona kuti better vambotanga
vamuka first.

Haiwaaa pakafariwa zvee imi. Pakanga pasisina zvekuti "typing" anga


angova ma "recording audio". Vakabva vakanda pic rimwe vaine tuvana bvaa
twaiva tudiki diki chaitwo.

@mama4:Tudiki tuvanhu twacho asi tune bhonzo nekuti the least ane 1600g
asi vanzi vari right.

Vana vacho dzungu Mhofu vakabva vaudzwa ipapo kwava kukanda video
murume mukuru achiwuruka kuita seachatunga ceiling vakazopedzisira
varovera pasi nemabvi vakadonhedza misodzi chaiko yemufaro...

125 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 11
Mama Agatha

Pamuviri pangu hapana kana kumbonyanya kundinetsa zvandaiona zvaiita


vamwe vekuti aipotsa kudemba kuti ngapabve zvapo ashungurudzika.
Vamwe kurutsa, vamwe pamuromo, mamoods, ndaisizviona pane vamwe.
Ndakazviita mazuva ekutanga ndainzwa kukara chaiko ndichiona sekuti
ndikasheya chero na Mhofu ndarasikirwa asi pandakangoziva kuti ndine
pamuviri ndakabva ndaita zvandakaona zvichiitwa nemuroora wangu
Shumie kuti aibata dumbu rake orinamatira. Kutaura chokwadi ndikati
akanetseka ndinganyeba. Aiita mabasa ake pasina kana problem up to the last
day chairo. Zvechokwadiwo minamato yangu yakadavidzwa nekuti
ndakanga ndakangozvigwinyira zvangu ndichiita zvose samai pamusha
pasina kana dambudziko. Zvakandibatsira kuti ndakazvirakura kudaro
ndakakwanisawo kumira panzvimbo yangu samai kuvana vavo. Daphne na
mamoyo vakanga vakazvitakura uye vose vaitotarisa kwandiri samai.
Daphne ndakanga ndatomuvimbisa kuti ndichamutora ndozogara naye
ndichimutarisa kusvika apona. Unfortunately ndiwo mazuva andazivawo
kuti ndine pamuviri mushure mekunge ndadonha. Zvakadaro ndakakwanisa
kuva fit zvekugara naye ndichimubatsira pasina kana panonditi n'en'enu
kusvika mwana akura akadzokerawo kumba kwake muroora achipindawo
ndikaita the same kusvika adzokerawo kumba kwake.

Takazosara tangova toga zvakare ini naMhofu vangu na Doug Jnr wedu.
Ndainyatsonzwa kuti I belonged to a family kwete kungoita zvekupfaikira
zvandakanga ndakaita kwamadzibaba Habakkuk kana kwaana sekuru chaiko
kwawaingogara uchirangaridzwa zuva roga roga kuti ndiri mutorwa. Wobva
washaya kuti vaindichengererei kudaro if I didn't belong there. Vaichengera
zvekuti chero ukaenda kutsime chaiko ukaita sewanonoka kudzoka
waitoteverwa kana kutumirwa mwana kutyira kuti ndaigona kutiza. Iko

126 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndipo pandakaona kuti plan yaMwari haikundikane and vane maitiro avo
avanoita nawo zvinhu zvavo atisingambofa takaziva takaziva kana kufungira
isu. Dai zvekunoshanda kuHarare ndiri house girl zvakabudirira pamwe
ndisina kutozombowana mukana wekuonana ne handsome yangu yangu
yangu yodai kundishaisa hope. Kutadza kurara chaiko zvwkutombopererwa
nehope ndomuka ndogara ndakayeva nduna yangu ichitapirirwa nehope
ndongoti Mwari makazviita henyu, and kubva pandakadzidziswa natete
vangu kuda murume haiwa ndakanga ndoita wekugukuchira husiku hwese
kutya kubirwa. Vaitozoita zvekuti mama ndokumbirawo kumboshanduka
ndakaita chikwekwe chaicho and taishanduka tose munhu ndakanga
ndidingasiye. Ndaida murume wangu wandakazvidira ndega kwete
kumanikidzira, and tete vangu vakandidzidzisa kuti " kana rudo ruchiripo
dika mwana wehanzvadzi yangu nekuti zuva roga roga rabuda ratodarika
iroro harichararamiwa zvakare. Saka ndakati pamazuva angu iwaya Mwari
ndibatsireyi ndiraradzise munhu wangu nerudo. Zvimwe ndaikopa chivande
kuvaroora nevana vangu kuti ndigonoshandisirawo mukomana wangu
zvidavado zvacho.

Neniwo ndakanga ndisina kana doubt kuti ndinodiwa zvechokwadi. Ndaiita


kunge munhu akazvara kare kare nekuti rudo rwaiita kupfachukira ruchibva
all angles ku kuti chokwadi munamato wangu wakanga wa nzwikwa
naJehovha nekuti hapana kana pandainzwa paiti n'en'enu.

Shoko raMwari rinotaura kuti where there is unity God will command his
blessing. Kubatana kunotyisa kwakanga kwava mumhuri yekwa Mhofu
kubva kumukuru kusvika kumudiki. Isu takazobuda hedu mugroup refamily
tikasiya vana varimo vega nekuti taiona kuti pane dzimwe nyaya dzavaida
kutaura vari pavo vega saka taitovakanganisa. Taizongopiwa update kana
zviripo zvaida kuti tiziviswe. Asi kuti pane pandakamboona vachikonana
mugroup imomo ndinganyeba hangu. Rwaingova rudo rwega rwega
nekufara vachiseka. Kuda kana vakazosara vokonana isu tabuda hameno
nekuti hatina kumbonzwa ma complaints akadaro.

Kuchurch takanga tava kuenda semhuri every sunday uye kuruwadzano

127 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
rwemadzimai ndaiendawo ndichinovakwa semudzimai. Kushowground
kwataipindira church isu kwakanga kusina building yedu taitorendawo saka
china taingosangana kaviri pamwedzi ari ma Saturdays futi. Chimwe
chikonzero chaiva chekuti madzimai acho majority yacho vaitoenda
kumabasa avo kunze kwangu ini nevamwe gogo vakanga vaita vechikuru.
Asi chandakadzidza ndikayemura ndechekuti vose zvavo madzimai acho
hapana akanga akagarira maoko achiti nekuti ndinoshanda ayewa. Vaiva
nezvavaibata bata nedivi zvataidzidziswa kuti munhu wemudzimai
changamuka usangomirira salary yako kana yababa. Ko mabasa akamuka
akapera naiwo ma company ari kuvhara kuita kunge mvuara iri kugasa.
Taidzidziswa zvose kani kunyangwe kushongedza mumba chaiko, kugeza,
kubata vana baba vacho uye kugona kuzvimiririra semunhu wemudzimai
kwete kumirira mari yababa nekutenga ma pads kose. Taiita kutenderera
tichiitira zvididzo mudzimba dzedu ndichionawo zvimwe zvaikopeka
zvandisingadiwo ndichisiya. Takambonoitira kumba kwevamwe mai
vaitengesa kani kuchurch. Ndaingovaonera ikoko ndichirofunga kuti kuda
vane musika mu rank nekuti vaitengesa migoti mazhanje matamba ma sweets
chiiko. Vakati vaizvigona chose nekuti vaiti vakatanga kutengesa banana so
vairitsanangura kunyangwe nemanutrients aiwanikwa mariri zvekuti
wairitenga chete ugonzwa richiita imwe taste yekuti unoti richiri banana here
iri kana kuti rine zvimwe zvawedzererwa mariri. Taingovasiya varipo
vachitengesera vamwewo vemamwe ma church nekuti paiva nema church
akawanda aipindapo. Ndakazoshamisika zuva ratakanopindira china kumba
kwavo ku Gweru east. Pakanzi "tichanoitira chinotira munamato
wemadzimai kumba kwamai Ano"ndakangoti ndichanovaonerako nekuti
vanhu vazhinji ndakanga ndisati ndavaziva mazita ndaingoziva kuvaona
chete. Ndakazonoshamisika ndichiona zvavari mai vaya vechi bascket apa
vakapaka Navara yandaigaroona kuchurch ndichingoshaya kuti ndeyani
nekuti taibva ichingovapo. Zvisineyi kuti murume wavo aishanda basa rine
mazimari kwavaihora ne $ US mai vaishereketa ivavo. Mazai avaizoita dutu
pa door remuchurch vanhu vachibvutidzana vakanga vasinga mahodhi
ayewa, vaipfuwa huku dzacho pamba pavo. Vairima maruva chaiwo
ndikashamisika vachiti mazipots mazhinji ari muma bank emaruva aiva avo.
Vaibhadharwa mwedzi wega wega kushongedza kwavanenge vakaitamo uye
ndivo vaienda vachinoa diridza nekuagadzira. Ahhh ndakaona kuti mari
yakapusa kuita chokwadi kunongoda munyati chete wekuitora muhomwe
dzevamwe uchiisa mako zvisingasungisi. Vakataura zvandakanzwa chaiko
vakati

128 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
" Kunamata hakusi kupata wee. Vamwe vanoti vakanzi vanonamata vobva
vanzwisa urombo chaiko zvimwe zvinobva zvatoshoresa Mwari wacho
wavanoti vanonamata. Hongu varume vedu vangaita mari zhinji kwazvo
kana kuti tingava nemabasananoshamisa asi ka ko kana rimwe zuva
zvikamuka zvakenda nepamwe basa rapera kana kuti kuvingwa nerufu
chaiko baba vomuka pasisina imi mai hamugoni kana kuita muhomba
wemuriwo chi chichazoitika. Munhu wemudzimai ngaagare ari well
prepared for the worst kwete kuzotevera mufi wabatwa nestress."

Ndakanyatsogaya ndakagara ndakateerera vachitaura kuti basa vakatorega


ravakaitira degree vakaona kuti kuzvibatira nemaoko mari yako isina
anopungura musina kuwirirana kwaitobhadhara. Navara yavaifamba nayo
vakaitenga nemari yavainotenga ma suits ku Tanzania vachizotengesa. Aiwa
ndakakodzongwa mukati mangu pandakafunga kuti pamusha paMhofu
ndaiva ndigere utepfetepfe mutambarakede chaiwo asi changu
chandaitonongedzawo kuti changu chaiva chii wanikwe kunze kwe benz
iyoyo hapana chimwe. Imba yataigara ndainyatsoziva kuti yaiva muzita
remuroora kunyangwe aititi ndepedu, yemurume wangu yaiva yeku
Kwekwe yaigara mukoma wake ne stand yeku Hertfordshire Park asika
zvaiva muzita rake. Pane pandaizoti here pazvinhu zvandakawana zviripo
"baba madii kuisawo zita rangu". Handiti vaizoti ndakangoteya pfuma chete
saipapa pakanga paine age difference yakati kureyi ndaizoita sekuti pfuma
ndiyo yandakataimira chete. Ayewa ndakavhurika pfungwa ndikati
zvekugarira maoko bodo tsvo. Seni hangu zvekushanda izvi ndiko kwaiva
kubasa zvee hapana chandaikonewa asi apa ndanga ndatova hangu broiler
raingodya rivete. Mumba macho chete maingotaura kurongeka chete chete
ndakabvuma hangu kubva kumacurtain acho kusvika kuma designed plates
atakanga taisirwa chikafu. Aaahh asi kuita sekuti ndiro ndiyo yaiwedzera
kunaka kwechikafu chacho.

Zvandaiona zvose zvimwe ndaibirira kutora picture zvimwe ndichinyora mu


notebook kuita sendainyora ma verse aiverengwa. Ndaida kungoti ndikapona
chete ndotoshereketa chaiko nekuti ndakanga ndatova nazvo zvandaida kuita.

129 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakatoona kuti daphne aifamba muright direction chaimo nekuti ndakaona
kuti zvekubata kwemaoko zvaimubvuma chose.

Kunoiti tiringindi kuna Mhofu kwakamboita kumakata kani vaitoona sekuti


ndaizovashotesa nguva yavo.

"Ko zvadii futi nhai mudzimai wangu asi paripo pandiri kukushotesa here?
Mari ndinayo yakawandisa chii chiri kukushotera ndiudze ndigadzirise.
Ndakakuti wani gara nemacards ose zvawo ukaramba wega wani. Chero
ukati nhasi mota hauchaida iyo im willing kuichinja wongonongedza chete
yaunoda and i will bring it to you. Unonyatsoziva kuti pandakanga ndoti
zvaita nasis vako ndipo pavskabva vatorwa nashe. Ndakaita kunyemudzirwa
chaiko zvino iwe hatina kana nguva ngani waakuda kundisiya futi. "

Zvechokwadi ndakaaramba ma cards ndaiva comfortable hangu kuti kana


paine chandaida ndaingopiwa card ndonotenga ndodzosera mwene waro uye
hapanamkana pandakambopiwa limit yekuti idyankusvika apa. Zvakanga
zvakanaka zvakadaro and i was happy. Zviri zvemota yowee nhaimi kana
yandaiva nayo yonzi haiiti asi vaida kutononditengera yekuti ndaizoituma
yega kumagirosa. Aiwa iyoyo vanhu vaicheuka wani kuita sevachavhunika
mitsipa pandaidarika. Haikona chipickup chiskorokoro chamadzibaba
chandisina kana kumbogara ndakakwirawo kufront chero zuva rimwechete.
Pandaiikwira pacho nenguva dziri kure ndainogariswa kuchigen'ere chaiita
kunge chichagurika ndikasara ndirimo chimusoro chaenda kuri kusakara.
Ndaitova nerimwe zivanga randakamboita ndachekwa nerata kumasure
ikoko rakazongopora nenyasha ndichingoisa munyu nemadota ndichinzi
kuchipatara hatiendi. Saka pakuchinjirwa mota hayewa ndakanga ndiri Kure
nazvo hangu. Hapana kana chandaimboshora ini kana chimwe.

Nguva nenguva ndaiedza chose kumira panzvimbo yangu samai. Mhuri


yacho yakanga iine mutemo respect chaiyo ndaipiwa yakakwana.

130 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Babamukuru vangu chaivo vaindipa nzvimbo yangu chaiyo vaitoita sekuti
ndivo babamunini ini ndini maiguru. Murume wangu chandakaona aida
mukoma wake zvisineyi kuti chii chakamboitika kumashure. Ini zvimwe
zvacho ndakangoita zvekuenda chete ndakawanawo vava munhu airatidza
Kuti aishingirira kugadzirisa ukama nehama dzake. Kungoti chete
pamukadzi ndipo pavakanga vakarasiswa havo naMwari nekuti hai maiguru
vangu kana neni ndakavatadza kuvanzwisisa ini. Aigara Ari matare namatare
kuKwekwe ikoko. Murume wangu aishingurudzika veduwee aingogara ariko
achiumbiridza nekudzoreredza. Ini zvangu ndakanga ndakatomhuriwa
zvangu. Pose pandaizama kuzviswededza pavari ndainyobvorwa zvekuti
chero phone call chaiyo ndaitozozvidemba ndaswera ndadumbirwa. Vaizama
chose kundidzikisira nekundishora nekundiona sekuti handisi chinhu.
Munoti munhu wandakatiwo ndinoratidza vakoma vangu mota
yandakanga ndatengerwa munhu osvika achiratidza kurwadziwa kuri
pachena chaiko hanzi "makavaitei nekuti sis venyu havana kumbobvira
vaitirwa zvakadaro nababa Daphne." Vainyanya kuzvida zvekuvadana kuti
baba Daphne kungoda kuburitsa chete kana kuti kundizivisa kuti mapatya
akanga asiri emurume wangu biologically kuda vaifunga kuti ndaisazviziva.
Ndipo pamwe pakanga paine daka racho ipapo pandakaona kuda vaifunga
kuti vana vemurume wavo ndivo vakasimudza murume wangu izvo kana it
was the other way round. Kubva ipapo ndakanga ndotambira kure nekuti
ndakatoona kuti vaiyedza chose kundidzikisira nekundigodora hameno kuti
daka ravo chairo raiva papi. Zviri zvekuti vakambozama kuteya murume
wangu vachimufambira vakashama vakanga vatondiudza kare Mhofu saka
ndakangoti kana paripo pane daka ravo neni shame sterek nekuti ini ndini
ndakanga ndavapo panyanga and ndakanga ndisiri kuzosudzunura
zvekudaro. Ndakatoona kuti munhu anoda zvakachipa chete. Pamanyaradzo
havana kuuya pamwe dai vakauya vakashinaira ipapo nekuti I'm sure ndipo
patakaonekwa hedu vana Agatha tichine ma roko bhanzi mumusoro
nemadhirezi marefu emoskiripi awaipfeka achingochaya mheni iya
yatakadzidza form 3 yandakagumira kuti inonzi static electricity. Ko yanga
yava history zvee ko handiti ndanga ndotoita sendichawacha nayo stasoft.

Ko imi munoti pandakasvomhoka maoko ndichisakura paguva remukoma


wangu uye kumira kose kwandakaita vhiki yose ndichiita kunge bhanditi
ndisingakotoroki hapasipo pandakaba moyo wedzinza rose here. Dai
ndakagarira kure sezvavakaita ivo ndaizoonekwa kupi. Pafeya feya ndisina
kana wandakambofambira ndakashama, kutorohwa ne surprise ndisina kana
kumbozvitarisira. Zvimwe zvidikidiki zvatinoona nekutarisira pasi ndizvo

131 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
zvinototisimudza wee. Mukoma wangu chaiye akanga akagara
ndichifondoka ndega achizviita musalad ane mari dzake apa anenge akanga
otobatwawo negodo nekuti kana kuzombouya kana kungoisa message hayo
kuti mwana wamai vangu ugere zvakanaka here. Ndakatanga ndichafona
ndikangodairwa musi mumwechete chete vasati vaziva number vakati vaiva
busy ndigozofona kubva ipapo haina kuzombodairwa ndikapedzisira
ndanetawo. Ndakambofonera murume wavo ndikanzi "Rakadii dhara renyu".
Ndakabva ndatomeka shuwa kuti havawani number dze murume wangu
nekuti aigona kutozoita hake stress audzwa zvimwe. Ndakati vanenge
vakanga vasati vamboona pic raMhofu chete nekuti compared to madzibaba
vavainditi gomera muripo ka ahh zvanga zvakaoma hazvo. Ndakadzidzawo
kuti chero hama yako inogona kurwadziwa nekubudirira kwako. Madzibaba
vaiva vakuru kuna sweetpie wangu asi ndainzi shingai muripo mainini
midzimu haupe kaviri. Ndakabva ndariisa resvoto chairo pic raMhofu
vakaita kakomana vakapfeka simple and smart. Ipapo asi kuita sekuti
mukoma waana Dillan. Yakauya message chop chop hanzi "ndivo here avo"
ndikati ehe" ndichito blocker ndisati ndanzwa zvimwe. Kubva wo ipapo
ndakati handivatsvagi ini kuzviraramira ndiko chaiko ndaiziva
tichazosangana chete.

Mazuva akafamba hawo ndichingokudza Mwari nehutano. Christmas


yaiswederawo kuti mhuri imboungana tichingotenda Mwari pamwechete.
Ndaifanira kuti paiti pakaita hurongwa mumhuri hakuna aiita zvake
munhu wese focus yake inenge iri ipapo. And zuva racho rakasvika
rakagadzirwa zvemhando yepamusoro. Mukwasha akashamisa vanhu
nekutihapana akambenge achifunga kuti ungatoita mutambo mukuru
wakadaro. Taingoti kungoungana vanhu vofara vopararira. Asi
zvakatozobuda zvava zvimwe zvikuru. Excuse yakanga yapiwa na maiguru
vangu kuti havauyi ndakanga ndafara ini nekuti ndaiziva kuti she is bad
news. Bamkuru vangu vaipombonoka kana vaine muningina wavonevana
vavo. Asi zvisineyi takazoona vasvika ne taxi ndikati nechemumoyo here
comes trouble.

Mufaro wakazonyanyisa pakaita surprise visitors ya Reginald namai vake.


Ahhh heya vakomana ava vaiita zvinhu vakanyarara havo kuda
kuzodonhedza vamwe vanhu ne bp. Aisamborasa kani asi kuita Derrick
paagere, ko ivo mai vacho mati kuchena ikoko. Nyemwerero ichirova kugotsi
vachiratidza kuti munhu ane mutsa uye akazvitova munyoro.

132 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakatombofunga kuti Ivo vekuzonosara Cuba kana vakanga vakapfuura
apa saka yaiva ngirozi zve.. Babamukuru vangu vakatadza kana kusimuka
pavakanga vakagara. Vakatozonoita zvekutorwa vose namaiguru vangu.
Derrick ndiye aipa maintroductions akatanga one by one.

Vanga vakasunungika mai Reg ava kani.

"(Kuna baba Daphne kkk) ndafara kukuzivai Mhofu. Ndakambonzwa


nezvenyu kareko asi hatina kuzombosangana. (Kwandiri) ndafara kusangana
nemi mainini dzakadii mhuri ( kuvana vose) ndafara kusanganiswa nemi
vanangu dzakadii mhuri dzenyu ( kuna baba mukuru) makadiiko
museyamwa dzakadii mhuri?"

Museyamwa vacho kubva vadzikamirawo kani vakabatanidza maoko

"Aiwa tiri vapenyu mhai kwakadiiwo kwamabva." Dai maiguru vakanga


vachiripo vaitasanurwa Mhofu nembama chete manje vakanga vagobva
vasiya varidza tsamwamupengo chaiyo. Vakapotsa vadonha vatadza kutsika
naiwo maburuka mumumango avakanga vakapfeka vakatozobatira pasimbi
ye tende. Ko iko kuzonanga mumba ko vakadii kungodana taxi vakadzokera
kwavo. Ndakati nechemumoyo Mhofu vanonochiona chakatadzisa imbwa
kuseka kunyenama ichigona. Zvakatozoita worse vagochwa nemafuta
zvakatyisa vanhu veukama vepedyo vakanga vasara. Mufaro wese
wakasanduka ukava kusuwa kukuru pamusha nenguva dikidiki.
Vakatakurwa vasingazivi chinhu kuenda kuchipatara. Vakazpngotorwawo
nemapurisa hameno akanga aman'ara. Isu kuchipatara takatozongotevera
nekuda kwemuroora akanga akuvara. Mai Reg vaingozvidemba Kuti pamwe
dai vakateerera mwana wavo paakati vatambire Christmas kumba kwavo
pamwe dai pasina kuitika zvose zvakazoitika. Ndakatovaudza kuti
vasatombozvinetsa havo nekuti chero vasipo ndiwo mararamiro aiita couple
yacho.

Vakazomuka havo vachidzokera kuMvuma asi vaiuya kuzoona murwere.

Vakatanga vachiuya daily kusvika vava kuita vachijammba mazuva pakanga


pachiita babamukuru zviri nani. Mukwasha nemhuri vakaenda kuCanada
Derrick akadzokerawo kwake KuSouth. Reg akanga ava kushanda pa
hospital pemukwasha achigara kwana baba Fadzi. Waitoona wega kuti he
was fitting very well in the family. Kungoti mhuri yacho ndizvo zvavakanga
vari havo.

133 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Mhofu snr vakazobuda muchipatara mushure me mwedzi miviri chaiyo asi
vakanga vadzikira muviri chose. Kwete nekuti pane zvavaishaiwa asi kuti
muchipatara hamuna kungojairika chete. Vaitombowanzirana nemunin'ina
wavo achivati maondeswa nekufunga haranga yenyu. Iko hapana kana
akambovatevera zvakangoperera ku court kwavakangoita plead guilty
vakanzi 5 years in prison 2 suspended kana kuri kuti havana kupara imwe
mhaka yakadaro during mazuva avo ekupika. Babamukuru takangogara
navo zvemazuva mashoma vakazoenda havo ku Kwekwe kwavo. Vaiti vava
kuda kunovhara shop yavo vodzosa makey emba vombonogara havo ku
South Africa. Vaiti vakanga vatotaura na Derrick akati vauye havo
pavanobuda muchipatara vazombonozorora. Kwainzi ndinoda kunotsvaga
basa ikoko asi munin'ina wavo akarambisisa akati havangasiiswi vision yavo
nekuda kwe benzi. Kana aizobudawo mujeri aizoona kwekunanga.

"Taimboita moyo murefu mukoma tichifunga kuti achachinja manje tatoona


kuti chigogodza chaicho. Kana adzoka achangozivawo kwekunanga. Kana
muchienda kuSouth muchangoenda muchishanya kuvana mozorora
modzoka. Munosvikepi muchingova munhu wekutanga muchisiira panzira.
Takatogadzirira kudzoka kwake saka hapana zvekuswera muchitiza munhu
asina mwana nemi kana muchato unokusungai. Hai hatidaro kujaidza
makudo neanokamhina. Ndiyo time iyoyi yekutosimudza business renyu
pasina anovhiringidza paanodzoka anofanira kudarikira achizviona kuti
akazvirasisa makomborero"

Vakazotifonera after two weeks vachiti vakanga vakamirira malaicha akanga


apiwa staff yavo yekushop na Derrik kubva ku South Africa. Vakatumira
photo payakasvika hayewa rori yose yakanga yakazara kuti maku nezvinhu
zve hardware. Vaiti kana vanyatsosimba vaida futi kuvhura shop
yekutengesa ma motor spares makare muKwekwe imomo kana kuti
muGweru. Vaizvigona izvi babamukuru zvekuti dai vakanga vasina
kugarisana nechipfukuto dai business ravo rakasimuka chose.

134 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Kunotariswa ndakanga ndachinja ndava kuenda kuHospital kwemukuwasha
ndiko kwatakanga tava kurapwa mhuri yose. Zvescan ndakazviramba ini
ndaida kungoona yava surprise asi pane pandakamboenda pa 5 months
ndichiri kutariswa kwa private doctor aiva wemhuri panguva iyoyo tisati
tatevera kwemukuwasha, akanditi ndine more than two lmmmmudumbu
mangu. Ndakazviramba ini and chero kumba handina wandakaudza ndaitya
kuzomanikidzwa kuenda kuscan. Nurse vakanditarisa vakabva vato
concluder kuti ndaiva nema patya kkkk. Chandakaita kungowedzera
zvihembe zvandaitenga zviri unisex kuit 2-2 and zvakanga zvisina
kumbowanda ndaida kungowana mabudiro muchipatara then ndozonotenga
ndava kuziva kuti ndotengera boy here kana girl. Dumbu racho ranga risina
kupengereka zvakanga zvakaita ra daphne even mai Fadzi vakanga
vakatotakura kundidarika. Saka ndaitoona kuti pamwe vanogona kunge
vakatadza kuona zvakanaka. Chaindionesa moto kukaviwa from all angles
ahhh ndakatanga ndichine excitement ndikapedzisira ndoita mabayo chaiwo
especialy ndikatungwa nechekuno kumoyo. Ndaiwanzirwa na Mhofu hanzi
muna Jack Chan chete nekuti pandaikubvurwa ndaitomboita sendichafenda
chaiko ndainzwa mweya kupera. Kufamba kwaiita mazuva kuvata chaiko
kwakanga konetsa ndainzwa kuti mubhedha waiwedzera nyama kurwadzo
uye kushoterwa nemweya wekufema. Sepandakasvika pa 8 months bonde
chairo rakanga rotoshupa ndikatotama kuenda pasi chaipo ndainzwa kuti
ndipo paiita ndaingowaridza zambia rangu ndovata zvaitomboita senani.
Ndakagara ndazvirevera kuna tete nekuti ndaitya kuti pamwe ndichareverwa
kuti mwana wehanzvadzi yenyu ondiuraya nenzara. Vakatanga vachitevera
pazambiya ipapo vakazvitadza ko kana usina zvaunazvo panorwadzazve
unomuka mahips achiita seanga achigogodzwa nesando. Tete pavakauya
vakatosvika vachikumbira ruregerero vakanzi

"haiwa tete ndinozvinzwisisa inguva yacho inodarika. Zvamauya


mongofanoita place holder handiti mudhara akakutizai akaenda kuAmerica."

135 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Mungandigona here bamnini hatidi anozochema."

"Tisu tichachema here isu ndotokudai dzinza rose ndikusakadzeyi mese"

Navowo tete vacho misikanzwa yakanga yakawandisa. Vakazosiya vandipa


mushonga wemasuwo nekundidzidzisa kuti ndoushandisa seyi. Vakanditi
ndidye matohwe ne derere futi zvinobatsira pakupona. Ndakanga
ndisingasarudzi hangu chekudya saka handina kumboita dambudziko.

Muchato wa baba namai Chichi ndiwo wanga wava mudariro and ndakanga
ndanyatsova nechokwadi chekuti handikwanisi kuendako nekuti
ndaitozonopa vanhu basa. Ndanga ndisisadi ini ndava kuda kuti richibheuka
bhazi racho. Takazokumbira maiguru mai Reg kuti vazosara neni mazuva
mashoma iwayo aienda vanhu vose kumuchato. Havana kuramba havo
vakanotorwa na Mhofu uri musi wa 11 ivo vaizosimuka musi wa 12.
Kusununguka kwavo ndiko kwandainyanya kuvadira haikona maiguru
vangu vataitoita mood yekutaimira kunge cobra yered otherwise ukaita
dzungu unosimuka watsvuka magaro. Vakaenda zvakanaka vanhu kuJoni
tikasara tichingova vaviri pamba. Regi akauyawo a day before muchato
manheru achioneka mama vake nekuti aizomukira kuairport kuti aendewo
kumuchato. Vaitumira mapictute kubva vanhu vachipfeka tichifara kutoita
sekuti taivapowo pamuchato wacho. Kuma 3 masikati ndipo pandakazotadza
kubuda mutoilet mandakanga ndapinda ndakaita kugwejenuka musana uyu
pasi peguvhu pakatanga kupisa. Luck ndakanga ndapinda nephone ndizvo
zvakatozondiyamura ndikafonera maiguru Mai Reg. Ambulance yeku
hospital kwemukwasha yakaita kunge yaita gore rose kuti isvike. Pain yacho
yakangoouya hot hot non stop zvandaimbosinnzwa vamwe vachiti
inombokupa nguva yekufema. Haa pandiri ndakatsvukira kubva pain
ichitanga.

Ndakasvika vachiti ndiri pa 2cm kuma past 4 ikarambira pa2 cm kusvika


kuma 8manheru.

136 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakanga ndava weak zvekuti kana kupusha handaizokwanisa.

Ndakabva ndatonzi emergency ku theatre ipapo ipapo. Ndakagadzirwa chop


chop ndikaendwa neni. Celine aivawo pachikwata cheteam yakanga yamirira
kundivhiya. Ndiye akandibaya anaesthetic vamwe vachibvisa cutex vamwe
vachicheka bp iye achindibvunza zvimibvunzo nhando kusvika ndava kuona
madzengerere ndiye tibaaa. Ndakatozoita kupepuka kubva kuhope kuma
11 husiku ndichiudzwa shura rakapotsa randidzosera kwandakanga ndabva.
Ndakatadza kuzvitenda kusvika vana vacho vamotorwa ndikapiwa.
Ndakambotya kuvabata ini vakanga vakanyanyisa kuita vadiki. Ndakachema
chaiko ndikati nhai Mwari ndichazvigonerwawo nani. Maiguru vangu
vakanga vachingovapo nguva idzodzo vakangondirindira. Paiva na nurse
wandakanga ndapiwa kuti andibatsire asi ivo vakagara neni kusvika kuma 12
vachindidzidzisa kuyamwisa vana two nguva imwechete vakazoti vava
kumbonovata vaizouya kuseni. Ndaibatwa samambokadzi chaiye
ndichitariswa every 30 minutes. Vana vacho vaisanetsa havo asi ini ndini
ndakanga ndichiri weak. Chero phone maiguru vakasiya vaidzima vakati
ndigozobatidza kana ndava kunzwa simba. Kuyamwisa kwacho kwairwadza
asi ndakashingirira kusvika twavata plus mukaka wacho waibuda zvawo.
Ndakavata zvekuenda chaiko ndikazoita zvekutamba Kuti ndinogeza. Vana
vangu vakanga vatogezeswa vachinjwa vapfekedzwa zvakafanana
zvandisina kutenga ini. Maiguru vakanga vatovapo makuseni iwayo ndivo
vakazondiudza kuti mai Fadzi vakafona kuti vanovhirirwa kushop
vasarudzwe nhumbi dzevana mari yakanga yabhadharwa kare online.
Vakanditi ndinogeza kuitira kuti visit ya 10 isvike ndapedza. Ndakadzoka
vakati ndibatodze phone vanhu vanga vatemberera moyo. Murume wangu
anenge aitoshayiswa mukana nekuti ndaingoti kudimbura call pachitopinda
imwe. Vana Mhofu vainzi vatobuda vanosimuka ne flight ya 8 vaiuya
Bulawayo. Vamwe vose vainzi vaizotevera mangwana acho asi baba mamai
Fadzi vaimbosarako.

10 ichingochaya ndakarohwa nehana ndichinzwa mupururu .......

137 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 12
Mhofu Doug

Pane paunombonzwa kuti chero Mwari vakatonga unonyatsoenda kudenga


straight away kunogara naJesu chaiko. Ndainzwa moyo wangu kuva at peace
chaiko. Kuita rugare rwaunonyatsonzwa nemutsinga dzose zvadzo
dzemuviri. Mwari vakanga vanzwa minyengetero yangu vakaipindura.
Hakuna chimwe chandaichemera kunze kwekugarisika murugare kwemhuri
yangu uye mufaro nerudo zvakamboita makore zvichiita sekuti hazvigoneke.
Mwari vaitiropafadza zvemhando yepamusoro chaiyo. Vana vangu
nevaroora nemukuwasha vose zvavo hapana chaishoreka waingoona wega
kuti vana vari kufara. Taironga zvinhu zvedu pamwechete semhuri
tichiwirirana nekupanana mazano pasina anogodoka kana kuitira umwe
shanje. Sepakaregera Dillan basa akatiudza semhuri tikagara pasi tichipima
ma advantages uye ma disadvantages acho tikaona kuti pakanga pasina
chakaipa tatarisawo zvaaida kusiira basa zvacho.

Ivo pachavo vana vaiwirirana zvaiyevedza kunyangwe nevaroora


nemukuwasha. Vaiyemurwa vana vangu kunyangwe na Daphne akaita zita
rakanaka kwaakanga akawanikwa zvisinei kuti akawanikwa ari mwana
mudiki asi akasvika akagona kuva mwana akazvininipisa kuvabereki
vemurume wake naivowo vaigara vachirumbidza. Hapana
chinoshungurudza semusha unongogara uine matare namatare asingaperi.
Ndipo panozobva ruvengo nekufungirana mweya wakaipa kana kutoroyana
chaiko vana vanyamunhu. Asi haii vangu vana ndaiti chero ndakagara ndega
ndaisekerera nekunamata kuti dai parega kuita gonye mukati memhuri
rinozopfukudza rugare rwakanga rwaiswa naMwari. Misha mizhinji
vaichema nevana vanozouyiswa nekuroorwa ava. Kazhinji chero vanhu
makabatana sei mumhuri pakangoita mudzimai asina kurairwa akanzwa
anouya akanyonganisa mukabonderana misoro kuita semuchanotengerana

138 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
uroyi kana kudzikana matemo chaiko. Pakawanda ini pandaiona vana
vachiwirirrana kubva vachikura vachipfekedzana nhumbi chaiko
nekugoverana chingava chii zvacho nomatter how small. Asi mumwe wavo
akangowana chete zvinhu zvinongoshanduka nekubwaira kweziso. Mitemo
inosvika yochinjirwa musha wese kubva kuna vatezvara kusvika nekuhuku
dzemumusha dzinotarirwa mutsetse kuti dzekwamaiguru kana mainini
hadzitenderwi kudarika apa. Hembe chaidzo ini ndakazviona tichikura
nemukoma wangu Daniel. Iye akatanga kushanda ndikatotanga
kuonekerawo. Mazuva ekutanga chaiwo achangotanga kushanda
ndaipfekedzana naye nekuti takanga tichingoenderana pamumhu. Asi
achingowana chete zvakavhariswa zvose izvozvo hanzi usapfekedzana
nemwana anozokujairira. Dai pachizonzi mutengere dzake zvaiva nani.
Kungoti mukoma wangu akanga aita munyama hake panyaya dzemadzimai
apa haaa kuita ropa rakaipa chaiko. Ipapa vanga vachitovawo mumoto
nemukadzi wavanga vanaye asi taingonamatira for the best. Taiti semunhu
akanga akakombewa nwvanhu vanouta zvakanaka naiyewo achadzidza
ogona kuchinja. Uyo ndofunga aitoti akaita mazuva pasina kutongwa dare
ndofunga aitoita munyaviri chaiwo. Zvinenge zvanga zvatova muropa. Pane
pandakambotanga ndichiona sekuti she was the perfect candidate
yekutwasudza mukoma wangu asi eyii ndakapedzisira ndonzwa tsitsi.
Weropa ndeweropa chete chero rikava benzi unongoti zvino ndomurasira ani.
Ndakanga ndichionawo shanduko pamukoma wangu kuti naiyewo akanga
ava kuyedza kuva munhu kwaye Daniel chaiye wandaiziva tichikura kuti
aiva munhu ari responsible zvikazongoitawo nepamwe akanga ongochema
nerokuti mukadzi wamakandipa baba. Ndiwo munamato wandakaita
iwoyo kuti Mwari vasandirova neshamhu inonzi mukadzi pandakada Agatha.
Kungotaurawo semunhu akambosangana nazvo ndichikura asi Mwari
vakandirangarira ndakanga ndiine rugare ndakanga ndakaropafadzwa kubva
kuvaroora kusvika kumukuwasha wangu mumwechete oga.

Vana vangu vairopafadzwa zvakanyanya chose chavaibata chaibudirira. Ma


business chaiwo avaiita waingoona kuendeka. Namai vavo vanyuwani
waitozongoona nezera kuti havasi mai nyakutumbura asi rudo rwacho
rwavakaratidza kubva pakutanga ndirwo rwakaita kuti ndinyanye kuda
Agatha. Ndakazongotora hangu munhu akanga atogashirwa kare mumhuri
nevana vangu kunyanya ndikazongozadzisa zvaivapo kare mai vakanga
vatodiwa. Iyewo mukadzi wangu ndainzwa kudada naye aiva mai chaivo
mumusha she was all over achimira panzvimbo yake kuona kuti zvinhu zviri
mugwara. Munoti mumusha kana maita madzimai akaita sa Agatha

139 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
namamoyo kuputsika kwawo kuri kure. Kungoti varoora vangu vose zvavo
Mwari akanga atiropafadza vaiva vana vakabva kuvanhu handina
kumbogara matare ndichiyananisa vanhu kana kuti pandakambonzwa kuti
Daphne akonana nevaroora vake ayewa. Chandaiona kawirirana chete uye
maMpofu akabvuma kuita mwana kunana maiguru vake akava pasi pavo
achibvuma kutsiurwa nekurairwa. Akabatisisa dzidziso dzamamoyo
ndikatoona kuti mwana wangu ava in very safe hands.

Semunhu akanga ashanda akarongedzera upenyu hwake ndanga ndava


kungo enjoyer hangu ziya rangu remakore in the comfort of my home
nemhuri yangu, kureva sazita wangu na madam. Ndainzwa kukwana nekuti
hakuna chinongogutsa nekufadza so kuva nemukadzi anokuda uye
kukuremekedza nekukupa nzvimbo yako sababa. Akada mwana wasis vake
kumuita wake chaiye ndichingonamata kuti zvisazochinja kana abata wake
wekutumbura. Iye aigara achingochema kuti Derrick anoda kunditorera
dangwe rangu. Akabvira achiri mudiki chaiko achiti ndipei hoyo
ndimuchengete pamwe ndingawana rugare muhana. Asiwo manje mai vake
vakanga vamudawo saka ndakanyarara ndichiti zvichangozviita zvega
pavanopona kusurukirwa kunopera. Asi kwete kuti nditi Derrick aizomutora
zvachoseka nekuti neniwo ndaimuda pedyo neni.

My wife made me a real man ndainzwa kusimudza mapfudzi pane vamwe


varume. Nguva yangu ndaipiwa yakakwana chose chero bonde ndaiguta
kudzvova chaiko neniwo ndichishingirira kuita the same. Marriage yakaita
seyedu yevanhu vaviri vakambopinda muwanano ine ma advatages ayo uye
ma disadvantages asi ndaiona hangu ma advantages acho achiremera ma
disadvantages pakuti unonyatsoda munhu wako zvakaperera uchigadzirisa
ma mistakes ako e previous marriage uye kusecha zvaitairawo kwakabva
mumwe wako uchizviunza zvapetwa. Ndainyatso spoila mudiwa wangu
ndichiziva kuti kuna madzibaba kwakanga kusina izvozvo. Mari ndaimupa
madiro kungoti akaramba hake ma cards asi I made sure kuti hapana
chaanoda akachishaya. Ndakatombobatikana paakambotaura zvekuti
anoda kuva nezvaanoitawo kuti aite mari yake. I felt bad ndikatombobvunza
kuti pada pane pandiri kuresva akazonditsanangurira hake achipa
muyenzaniso wa Daphne ndikazoonawo kuti akanga asina dzimwe pfungwa
asi kungovawo nezvaanoita. Ndakabvuma hangu on condition yekuti azoita

140 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
abatsirwa uye kuti ini hapana chaizochinja ndava kunzi ndimbotora off
nekuti munhu akaneta. Ko ndanga ndajairaka kuti ndinodya madiro anytime
ndichiguta futi pasina complaint. Vatete vake ndakati dai vakawana nguva
chaiyo naye ndaipenga chete nekudiwa nekuti haiia, nguva shoma yavakava
naye iyoyo ummm ndakaona a fast learner zvekuti ndakaona kuti
pandaifunga kuti ndichatambura nekudzidzisa munhu ndaitozvinyebera.
Ndini ndaitosiiwa musana wopisa uyu asi ndaizongoshinga semurume
hauzonyanyi kuchema. Saka ipapo hangu handina kana kuita complaint
ndaipiwa mubedroom mubathroom mucorridor mukitchen pama stairs
nezvimwe zvitaera zvandaiitiswa kunge chikomana chema gymnastics ahhh
wozodeyi nhai. Pana Agah ndakati chokwadi kubuda kunze kunoita small
house rinenge rava shavi chairo.

Mazuva akafamba hawo upenyu huchifaya. Vana nevazukuru ndichingoona


nyasha. Ndipo pandakaona zvakafanira kuti mhuri ichikura kudaro
nekuropafadzwa naMwari timbounganidza hama neshamwari
vazondibatsira kutenda musiki. Mukwasha akajambira mudenga mudenga
akati aizoona kuti zvose zvaiva panzvimbo. Ahh munhu wese akafarira idea
yacho ikatoita chorus chaiyo munhu wese achitaura 25 December. Waitoona
pahurongwa kuti it was going to be a christmas with a difference.
Takarambidzwa musha wose even to lift a finger nemukuwasha hanzi relax
ndiite ini.

Zvechokwadi a day before pakanga patova ne picture yatanga tisina


kumbotarisira isu. Maguest ekure akasara otanga kuira flow in zvinhu zvese
zvatova ne shape. And the day became big indeed with guests from far places
vari hama neshamwari vakatikuta. Mukoma wangu akanga auya a day before
kuzomirawo nevamwe. Vadzimai vacho vainzi vakati vaorwara havakwanisi
kuuya. Apa mamoyo akanga aita chido akatigadzirisira ma attires ekupfeka.
Mukoma wangu kana kumboratidza hake kubatikana nekuti pane asipo. Iko
zvaisatombooneka ko kana uri useless kusavapo kwako pane vamwe
kunotoita normal. Mukoma wangu akatozoshamisika murwere achisvika ne
taxi hanzi ndazeza kumira nguva yakareba pama lifts. Apa mkoma vaisava
necash pavari ndini ndakatozovapa $150 yaidikwa kubhadhara taxi. Akanga
atomboti ngaazvibhadharire ega munhu angahaya taxi rwendo rwakakura
kudaro here. Ndakazongoti vaizotaurirana after kuti tisaita scene pane

141 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vayenzi. Mutambo wakatanga hawo zvakanaka tika surpriswa nekusvika
kwakaita mwanakomana mumusha Reginald namai vake. Ahh takapererwa
isu takanga tisina kuzvitarisira. Mkoma wangu ndaitomutarisira pedyo
ndaitya kuti anogona kungodonha neshock nekuti haana kunge akazvitarisira.
Photocopy yaana Derrick chaiyo. Presence ya mai vacho ndiyo yandakaona
hangu kuti ichasimudza bope asi handina kunge ndafunga kuti
zvingazosvika pazvakasvika pekuita attempted murder yakadaro. Kugocha
munhu nemafuta kudaro kuita botsa kufa here. Takamutakura ari lifeless
kudaro ndikachema nekugomera. Chero dai raiva benzi ndaimuda akadaro
mwana wamai vangu one ega. Zvisinei akanowana the best treatment and
akatomuka tichiripo. Reginald nemukwasha wake vakamira chose
semadhokotera isu semhuri tichibatana pamunamato. Hapana kana zuva
rimwechete rakadarika ndisina kunomuona every visiting hour ndaienda
kunomuona. Court yakapinda after one week dhiyabhurosi akanovharirwa
where she belonged. Handiti zvakatoita kuti akakoniwa kuita controtl temper
yake akafumura hunhu hwake pajikerere handiti dai zvakazonoitikira kumba
kwavo vava vega aigona kuzviramba.

Ndaienda kunotandadza mukoma wangu ndichimusimbisa kuti zvinoita.


Mai Regnald vaiuyawo daily kuzoona baba vemwana wavo vachibva kwavo
kuMvuma. Kazhinji vaiuya kuseni vozoperekedzwa after visit yamanheru
nemwana wavo. Ndaimbovapawo mukana wekuonana vari pavo vega. Haaa
ini maiguru ava ndakangandatovafarira ini musi wandatanga kuvaona.
Ndofunga chimwe chaiva chekuti vakazvara vana vedu asi ahh
dainzvaiudzirwa ndaingoti mkoma apa ndokubatsirai kunoroora kana
musina mari. Ndakamboita hangu chibhende ndikaudzwa pachena kuti he
hated women vaiva vava kuda kungozviraramira havo vari tsvimborume. He
was so bitter mukoma wangu ndakamunzwira tsitsi. Ndaona kurwadziwa
kwake and akadzikira nemazuva mashomanana. Ndaambomuwana
akarivara akabvisa shirt ari pa mirror misodzi ichiyerera. Munamato wangu
waiva wekuti apore zvakanaka chete pasazoita ma complications. Then imwe
bitterness yaingokonzerwa nekurwadziwa otherwise vapora chaiko maigona
kutoshamisika munhu oti ndoda mukadzi wangu I understand her actions
kkkk. Ahh zvevakambodanana here zvinoti netsei. Zvino ini ndizvo
zvandaida kugara ndavharisa ini ndoita make sure kuti mhondi iyo
painodzoka kuchizarira inowana mkoma wangu ava pane imwe level.
Ndakanga ndatopima hangu maiguru vangu ava ndikatova zooma ndikaona
kuti dzungu vakanga vasina. Ndakamboiti taurei na mkoma vangu
vaingorwa neyekuti havadi kuchanzwa nezvevakadzi vakati

142 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"After 37 years here unoti zvinoita here? Ndinoziva sei pavakadarika napo
after ini ko ndikakwevana nezvivete. "

Kkk kuita sekuti ivo panguva yose iyoyo vakanga vakadzikama.


Ndakasiyana navo hangu asi ndakati ndichaita way chete yekuti vave vose.
Chandakatanga kuda kuziva ndechekuti ivo vakanga vakamira sei pamwe
takanga tichitotaura zvemunhu and chibhuru chake hake kare. Takanga tisina
kumbozivana zvekusvika panyaya idzodzo plus zvaizoita here kuti
muchangoonana wotobvunza zvekuti makawanikwa here. Zbwkuwanikwa
izvo ndizvo zvaitotyisa chete otherwise kana iri boyfriend ahh ndosaka kune
competition ka. Zvino mukoma wangu akanga oda kuita gwara ovanda
nekuti vakadzi vanopisa, vanohura what what ko isu takadii kupiswa.
Unenge wangoita munyama ukasanganawo nemhepo yanyamavhuvhu chete
which is one in a million.

Ndaibvunza bvunza zvakangwara mudzimai wangu kana akambonzwa


maiguru vakw vachitaura zvekuwanikwa vakangotaurawo izvozvo kuti
havana kumbowana nguva yekutaura izvozvo.

Mukwasha nemhuri takanovakwidza vakaenda kuCanada pamwechete na


Derrick nemhuri yake vachidzokerawo kwavo Ku Jo'burg. Vakaenda na
sazita wangu vachiti ndiye page boy pamuchato saka vaida kuti anowana
time yakakwana ye practice. Vakataura kuti aizodzoka hake kana mai vake
vabatsirwa. Mkoma vaipora zvakanaka chose kunyangwe zvaiita sekuti
zvainonoka change yacho. Asi he was in good hands hake. Pakanga pava
nekakuwirirana pakati pababa nemwana nekuti dzimwe nguva
ndaimbosvika vakagara vese vachiita nyaya obva hake pandinenge ndasvika.
Uyu ndakatomudzidzawo nenguva shoma iyoyo ndikaona kuti akanga ari
munyoro panana Dillan ava hasha dzaivapowo tatoita tichidzoreredza. Uyu
smile chete ndiyo yawaiona pachiso pake nguva zhinji. Ndakaona zvakare
Kuti aida mai vake zvakanyanya. Ndakatoona masevherwo akanga akaitwa
number yamai vake mufon make pandakakumbira number ndakanga

143 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndarivara kuitora kwavari. Yakanga yakasevhewa Kuti "My Queen". Ndiwo
mamwe maziviro aunoita ukama huri pakati pevanhu nemasevherwo
enumber mumafoni umu. Pavaionana pega pega vauya kuchipatara
vaipanana a hug yandainzwa moyo wangu kuti nyungudu. Waiona mukoma
wangu asisabwairi akangoyeva nomwana vaizosvika vakabatana maoko avo.
Handina pandakamboona vakapfeka chiso chinopunyaira bodo. Pakanga
mukoma vava nani vakanga vasisauyi havo mazuva ose vaiva vongouya
ruviri kana kamwe pavhiki. Musi waka dischargiwa mukoma ndivo
vakatotifonera vachitiudza.

"Ndanzwa nemukomana achindifonera achitoti mama dad vanodischargiwa


mangwana"

"Hooo zvakanaka maiguru tanga tisina kuziva isu"

Takatoisangana navo kuhospital pavisit ya 10 kuseni takawana vatopedza


kurongedza zvinhu zva mkoma kuti tiende kumba. Vakatonoswera nesu
vakasiya vatobika supper vakati vava kuenda kuma lifts since mukomana
akanga ati achiri busy kubasa. Vakatondiyamura nekuti mumwe wangu
zvinenge zvakanga zzvoita zvichaitwa nguva zhinji ndini ndakanga
ndotobika. Vakanga vaenda nemwana vakanga vatofemerwa havo
nekuti aizototambura hake. Pamubhedha chaipo panga ponetsa munhu
achingowaridza zambiya pasi otovata hanzi pari nani. Ndakambozama
kutevera pasi ipapo asi yuwii ndakazvitadza ini. She felt guilty kusvika
pakuudza tete vake kuti ndingangorambwa bamnini venyu voziya
nenzara. Ipo panga pasisina zvechokwadi aimbozama neruoko asi
ndaisamboguta ini ndikaona kuti zviri nani kumirira hangu pane
kusvosvewa moyo.

Ndaitotarisa hangu ndikaona kuti dzaitova kuda 3 months or more


ndichingoshivirira hangu. Kungoti ndakaziva hangu kuti pazvinoita

144 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndaizopiwa hangu kusvika ndakoriwa. Asi ndaiziva hangu kuti paizonetsa
chete asi ndaigozvidii hangu ndini ndakanga ndaremadza mwana wevanhu.
Ndakambozama kuvati vavate vagozomuka vachienda vakarambisisa
kusvika tatozosara tisina choice than kutovaperekedza. Taingova four pamba
ini madam mkoma naivo mai Regi. Mkoma vakanga vati vanoda
kumbozorora asi ndakavanyengerera kuti tiende tose nekuti ndaisada kuti
vasare vega vachisurukirwa vaizonyanya kufunga. Saka takazongoti mai Regi
vabve vadya tozongovaperekedza vonosvika vachingozorora.
Takavaperekedza tikasvika pa komboni pavaigara kwatosviba. Ahhh
ndakabatikana nepavaigara pacho pasina magetsi asi vakanga vatengerwa
ma solar lambs maiva nechiyedza zvamo. Dzaiva 3 very small rooms and
vairatidza kufarira nzvimbo yavo takatofamba tichiratidzwa marooms ose.
Maiva very smart mumba macho muchinhuwirira kuita fresh chaiko
kuratidza kuti pavakabuda kuseni makanga macleaniwa zvemazvirokwazvo.
Mulounge macho maingova necouch rimwechete 3 sitter rairatidza kuti
inyuwani ne radio inenge yaishandisama battery uye mu kitchen maiva ne 2
plate gas stove nepush tray yaiva nema plates uye chicabinet hameno kuti
chaiva nei changa chakakiiwa. Mubedroom mavo havana kumbozeza
kutiratidza maivanezimubhedha rakanga rakaita mutumba chaiwo kozoita
imwe 3 quater yakanga yakazendamiswa kumadziro.

"Ndiko katumba kamaiguru venyu aka mainini. Marooms acho madiki aya
saka mukomana paakatenga mubhedha uyu wakauya last week wakabva
wazadza space yose. Wardrobe ndakatoti ambomira hapana pekuiisa."

Zvechokwadiwo space paiva pasina. Mukoma wangu akanga akayeverwa ne


nhumbi dzaiva pamumutararo hameno kuti aitarisei. Asi ini ndaitarisa kuti
hapangaiti kabhachi kechirume here ipapo asi pakanga pasina. Chero
pashangu dzaivamo dzaingova dzechikadzi chete. Akafona Regi achibvunza
mai vake kuti vazodii ko taizvinzwaka phone yacho yaiva pa loud.

145 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Ndazouya nana dad vako namainini ndivo vazondiperekedza nemota asi
tasvika hedu"

"Ko dad vatosimba here zvekutravella"

"ahh vari pano ava taura navo"

"Heloo mwanangu"

"Hello dad ko matonyatsopora here matosvika ku Mvuma"

" ahh ko ndanga ndichifamba netsoka here nhai mhofu. Ndangoti


ndimbotasanura makumbo kuti ndisasurukirwa. Tava kutodzoka hedu"

"Ok dad safe journey"

Akazoitana ma goodnight namai vake hatina kuzomboarawo. Tava pamota


ndakabvunza ini kuti havangadi kubva here pakomboni vazogara mutown
kune vamwe taingovatsvagira imba yakatambanuka asi vakaramba

146 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Haaa bamnini chero mukomana ari kutonetsawo asi pane zvandakataimira.
Next month DA vari kuuya saka pangangoita mukana wekuti dzimba
idzodzi dzingangotengeserwa ma tenants saka kunopiwa vageremo chete.
Saka kubva kunogona kuzondiruzisa. Kana zvaita yava muzita rangu
ndichaigadzirisa ndoisa roja. Nzvimbo ino ine ma memories andinoda kugara
nawo."

Takazooneka hedu tikadzokera kuGweru. Ndakanga ndangova ndega nekuti


mukoma wangu akanga angoti ziii uchitoo a kuti pfungwa dzaiva kure.
Vamwewo vanga vavata ku backseat.

Mazuva iwayo kwanga kwotsviriridza yekugadzira muchato wa Derrick.


Meso ose nepfungwa dzose ndiko kwazvakanga zviri ikoko. Mhuri yanguka
yaiita kunge koparetivhi yekuti tikati season ndeye soya beans munhu wese
ku soya beans. Vadzimai vangu ndivo vaingorwadziwa kuti vakanga
vasingakwanisi kuenda nekuda kwemazuva avo ekupona. Ini
ndaingonamatawo kuti zviitike before or after zuva remuchato ndiripo
ndakamuvimbisa kuti ndinoda kuzovapo musi waanobatsirwa
ndichimusimbisa ndoita ini wekutanga kubata mwana wangu. Dambudziko
rakazongovapo pakuti vanhu vose vaienda ku muchato madam
vaitozongodawo munhu wekusara naye. Ini akatongouya mupfungwa
ndimai Reginald and havana kutomboramba patakavakumbira. Vakauya a
day before zuva ratakasimuka ndikaenda moyo wangu wakasununguka.

Muchato wakanga wakarongeka chose uri classy and vanhu vakuru


vemunyika imomo nevamwe vakabva kuNamibia ne Swaziland vaivapo.
Zvimwe kutaura zvipo zvakabviswa kupedza nguva nekuti kwaingobviswa

147 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
mari haikona zvekwedu zvekuti munhu anouya nechinhu chaanonyatsoziva
kuti muchati anacho kare nenyaya yekuti anenge angochiwana chiri
affordable. Unotanga uchaita macalculations nemusoro until you lose count.
Ndaiyevedzwa nemhuri yangu yakaunganira umwe wavo vose kunze kwa
Daphne nemhuri yake asi vana tezvara vake vaivapo representing them.
After party yakaitirwa kumba kwavo takanga tangova family nemafriends
vashoma vazhinji vakapararira soon after muchato vakaenda. Paigochewa
panze ku swiming pool vanhu vachifara. Isu hedu vechikuru vaiti ini
nemukoma wangu, Murehwa, baba namai Muzambi, vatezvara vaDerrick
havana kuzomirira after party vaiva nerwendo the following day vaienda ku
Arab Emmirates, taiva mumba titchingovigirwa nyama tichidya tichiita
nyaya. Ndipo pakapinda vana vangu vachiita kunge vachawisa door
tikatovhunduka. Dillan akasvika achikanda phone yake panmkumbo angu
kuti ndione the greatest surprise of my life. Ndakamboti kuda vanhu vangu
vemisikanzwa vaita photo shop mwana 1 akaitwa times 4, asi ndakaziva kuti
Regi haangambotambi zverudzi irworwo. Ndakafara nemisodzi chaiyo
ndikarovera mabvi pasi ndikatenda Mwari. Derrik akanga ati timboita 2 days
pane kwaaida kuenda nesu asi zvzaktoshaya basa ndakatoti ndotobatana
nanatezvara va daphne vaienda the following day. First flight yaizosvika mu
bulawayo na8:30 kurevakuti 10:30 ndinenge ndichisvika pamombe dzangu
dzandaingonzwa nevakomana. Dillan oga nemhuri yake ndivo vakazosara
vega vamwe tose tikapetuka kumusha. Ini nemukoma wangu na Regi
takangonanga ku hospital vamwe vakati vaizouya visit yemaheru
vambozorora. Vana Khumbu nemudzimai wake vakagara vasara kumba
vaizouta havo manheru nekuti vaizopfuurira the following day. Vamwe
vose ava vakazongouya nesu kubva kusouth asi vakanga vachifanira
kuzouya Monday. Takatanga kukorokotedzwa ku reception chaiko
patakasvika. Takasangana na Celine mu corridor vakafarirana
zvekumbudirana na Reginald akatiudza kuti ndiyo yaiva operation yake
yekutanga ari in charge.

"ndiye akanditumira ma pic evana vachangolander uyu."

148 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Akatikorokotedza nesuwo tikamukorokotedza for the job well done.
Takapinda tikanowana mai Regi varimo vakagara vakaita vana vekuwaridza
pamakumbo vakakwana vese vari 4. Ndakangonanga pamukadzi wangu
ndikanomumbundira akagara paakanga ari ndakatozobva ashinyira
ndikazofunga kuti akapona ne opp.

"Pane vayenzi avo Mhofu hamuna kuvakwazisa."

149 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 13
Mhofu Snr

Ndaisingoita zvekunzwa kuti maronda ekutsva anorwadza kudarika kumwe


kukuvara kose asi ndakanga ndisati ndamboinzwa pandiri pain yacho. Chero
kuchekwa chekwa kwandakaitwa namarujata wangu tiri kuKwekwe hakuna
kumbondirwadza sezvandakaitwa nemaronda erutsva aya. Vhiki
yekutanga ndaivata ndichisvimha husiku hwese ndichitsivira shungu
dzekushinga kwandinenge ndamboita masikati ndichiona vanhu.
Ndaishingiswa kuti ndinopora asi pane pandaimbopererwa netariro
ndichivata ndichiita sendiri kudyiwa nekufambwa fambwa nechemukati
chaimo. Ko raingova zironda rimwechete rakangoti svapu. Ndaizoti ndava
ndega husiku paya ndava ndega ndotanga kugaya komene rudo
rwandaitaridzwa nehama dzangu ndainzwa misodzi yangu kudonha kuti ko
ini chii chandakaita muupenyu hwavo kunze kwekuisa marwadzo chete.
Muningina wangu ndaimboita nguva yandaimutarisa ndichifunga
kumutsvinyira kwandakaita achikura asi ndiye akanga omira neni nevana
vake. Ndinoti vana vake nekuti chero kuti nditi Dillan na Derrick vana vangu
zvaisatombonyatsoita nekuti ndaingoti ndikada kuzvifunga pfungwa
yaikurira dzimwe dzose yaingova yekuti "chii chawakaita muupenyu hwavo
kuratidza kuti uri baba vavo? Nothing but pain and heartache." Ndaitoshaya
kana simba rekupikisana nepfungwa iyyo nekuti yaiva yechokwadizve nhai.
Ndakabhinya mai vavo ndikadyara mbeu ndicho chega chandakagona kuita
pavari. Ndaiona munin'ina wangu achiyemerana nemudzimai wake
akazvitakura achimira mira pose paaigona napo kuona kuti she was
comfortable and well taken care of ndobva ndazviudza ini kuti yes kana
mwana uyu akazvarwa he/she has the right to call him dad. Akatora vana
vangu vaine 6 months kubva murank and he became a father to them haana
kutarisa kuti baba vavo vakandirasa vakanditsvinyira, asi akatora kuti vana
vemukoma wake ndevake. From that age until vava varume vakuru vane
ndebvu ndivo baba vavakaziva saka ini zvekuti ndakavaisa panyika
zvaishaya weight kana 1g zvayo. Saka zvose zvavaindiitira ndaizozvidzora
hangu asi pfungwa yaingouya mandiri yaiva yekuti " this is charity". Mwari

150 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
zvavanobva vaita vakandiisa mukati mevanhu vekuti ndaidzidza kubva
kwavari zuva rimwe nerimwe. Zvairema kuti zvibve zvangogashirika kuti I
was now a changed person asi moyo wangu waingoti Mwari ndimi munoziva
hana yangu. Ndakatanga kuzviudza kuti the change has to come for me
kutanga ndisingatarisi kuti vanhu vanoiona here nekuti ndakararama a fake
life for the greater part of my life saka that change might take long kuti vaione
nekuigashira. I wasnt changing for people but for myself. Ndakanga
ndambozviita hangu in action asi ndakaona kuti zvakafanira kuti
ndigadzirisane nehama neshamwari dzandakanga ndichine mukana wacho
wekuzviita then ndokumbirawo Mwari kuti kwandakanga ndisisina mukana
wekusvika vandisvikirewo. Chiedza akasvika pakungofa asina kundiregerera
asi mukana waivapo asi pride yakanditadzisa kuti ndingozvininipisa ndoti
"I'm sorry", Instead ndakatouya ndikasvika neku claimer kuti vana ndevangu
zvinova zvakatowedzera rift pakati pangu nevana vacho uye nemunin'ina
wangu. They hated me even more asi kungoti hama yako ungairasira ani. Yes
ndakaunza vana panyika asi my brother deserved to be called their dad.

Umwe wandakanga ndisisakanisi kukumbira ruregerero ndi Richard. After


ndavarasa kudaro ndakapiwa mumwe mukana zvakare paakandikumbira
mari shomanene yekuti agadzirewo upenyu hwake asi zvakare ndakarasa
mukana iwoyo and now he was no more. Ndainzwa shungu ndakatarisa
muzukuru wangu Nyasha kutiwo saka iye ari kundionawo semunhu akaita
seyi nekuti nomatter how hard i tried kuti ndimuswededze padhuze neni
sezvaaiitwa nasekuru vake vaakatanga kuziva zvairema aitonditya
chaiko.Zvaitoti zvindidye moyo ndichifunga kuti saka kusvika riini.

Vaiyedza chose vana vangu nevaroora kundibatsira nekundispoila asi


ndaingoona zvavaiita kuna Doug zviri real kwandiri shoko rekuti
charitybraitoita sekuti rakanyorwa mupfungwa dzangu ne permanent ink in
block capitals.

Kana vari samai Reginald kuvapo kwavo waitova mutoro mukuru chaiwo.
Kungoti haungaudzi vanhu kuti nhingi nanhingi vasauya kuzondiona nhingi
na nhingi vauye. Asi kutaura chokwadi nyadzi dzacho nepain yandaiva
pamoyo zvakaita musengwa chaiwo wandaitonzwa kuti waindiremera
pamafudzi angu. Chokwadi ndakasara padiki ndati vasauya havo
kuzondiona asi zvazvinoita pandakakamuka kubva kuvafi she was the first
person wandakaona akagara pa chair nechekumusoro kwangu. She was the
first person kundibvunza kuti ndainzwa seyi uye she was the first person
kundipa mashoko eshingiso ekuti "all will be well". Marovero akaita hana

151 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
yangu ipapo chero dai ndakachekwa bp maminitsi iwayo ndaiiswa
pamapiritsi chete.

"Muri kunzwa seyi museyamwa totenda Mwari mamuka. Maronda anopora


mukatozokanganwa kuti makambokuvara. Upenyu hwamapiwa umwe
mukana uyu ndiho hwakakosha nekuti zvimwe zvose madoctors angaita asi
upenyu ndehwaMwari."

Ndainzwa kuda kutarisa chiso chemunhu aitaura izvozvo kuti airevesa here
kana kuti akanga akatomonya hake muromo achisvotesa. Chero dai
ndakanga ndakamuona akaumonya kusvika kugotsi handaimbobatikana
nekuti after all I did to her 36 years back kutarisira smile kuba kwaari
kwaitova kurota chaiko. I ruined her life and her whole future mwana
aitozvitamburira hake ndikamupa false hope yekuti ndaizomusimudzira,
asi ndakamu dumber and I could imagine nhamo yaakaona kubva ipapo,
kurwadziwa kwakaita vabereki vake vaitarisirawo kuti aite upenyu
hwakanaka, kurwadziwa kwaakaitwa nekufirwa nemwana akanga akura
abva zera ava kutotiwo ndochengetwa, ko panguva yacho Richard ndiye aiva
mwana wake ogaka and ndakanzwa kupisa pamoyo pangu ndikati Mwari
maita henyu, kurwadziwa ikoko was another sign of change nekuti
zvaisamboitika kwandiri izvozvo kuti ndingarwadzirwa umwe
munhu.Changu kwaingova kurwadzisa ndichienda.

From day one mai Reginald never left my bedside. Vaimukira daily vachibva
kuMvuma vachiuya kuzoswera pachipatara ndichitonyara kubvunza kuti
vadyeyi. Asi ndakazongoti mwana aripo haangambovaregi vachiswera
nenzara. Vaizouya vooneka paanochaisa ovaperekedza nemota kumba
kwavo.

Ndakaenda ndichiita zviri nani hangu zvekuti vakandiudza kuti havachauyi


mazuva ose. Handina kumbosurukirwa ini nekuti hapana visiting hour
yaidarika pasina auya kuzondiona. Reginald nayewo aiuya every now and
then to check on me dzimwe nguva otombogara achitandara neni tichitaura
nyaya dzedbhora chete nedzimwewo dziri general sedzematongerwo enyika

152 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ne mamiriro ekunze e economy yenyika. Aiva munhu ari soft zvakanyanya
zvekuti asi smile yamai vake yakanga isingabvi pachiso pake. Chero unyoro
ndakaona kuti ndiko kwaakatodza kuna mai vake akanga akatosiyana
nemapatya aChiedza avo. Avo vaiva short tempered avo vakanga vasina
mangwana. Derrick aitomboita achizvidzora asi Dillan ndakatoona kuti
maitoti pakashaya anobatira padhuze aitetereka chaiko especially rurimi
rwake rwakanga rusina ma brakes. Asi chandaiyemura kana vasinawo
kutangwa kana kuvhiringwa hayewa vakawanda vaiyemura kuti dai vaiva
vana vavo. Ko ini waiva munyama here wekungopesana nezvakanaka?
Ndaiti ndikatarisa Reg namai vake vakabatana maoko vachiuya kuzondiona
ndobva ndafunga kuti dai pamwe neniwo ndichitovawo part of that equation.
Asi zvisineyi ndakazvigashira kuti ndakatadza kukudza mbodzi
dzandakadyara ndarasikirwa nadzo. Aigona kuti kana mai vake
vakamutangira kusvika aisvika achigara pamakumbo avo hanzi

''Remember mune chikwereti che 3 years dzandisina kugara pamakumbo aya


mama. Saka ini ndichazokuudzai kuti zvakwana kana zvakuenderana
nechikwereti"

"Ahh nhai museyamwa ndingazvigona here? Bva chiroora hakozve


ndigoripira chikwereti chacho pavazukuru nekuti ndichatonzwa wakuti
unoda kuyamwa."

"Eish ndotoda ini mama just one sip. Chimwe chikwereti futi ichocho."

"Unoti dai ndakanga ndiri pakanaka nemadiro andaikutai ndaitadza kuita


kana 3 years ndichingokuyamwisayi here. Asi chero Richard wandaiva naye
haana kana kuyamwa zvinoenda kure ndakanga...."

153 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Nhasi muri kunzwa sei dad? Ohhhh vatovata. Vari kuimprover handitika
mama."

"Zvakanyanya hauoni ndakumboita ndichijambira kuuya. Ndakasvika


nekutuka kose musi wavakuvadzwa ndaitoona rufu ini. Ndaizvipa mhosva
nekuuya kwatakaita kuti vanhu vaizvifarira havo isu tosvika tichikonzeresa."

"Yaah neniwo ndakambofeela that way asi ndakazoona kuti kuuya kwangu
Mwari vaida Kuti ndisangane neveropa rangu. Those guys are just wonderful
mama ndakanga ndakarasika ndichiti mama dad kuvanhu vasina kana ganda
rakafanana nerangu. Vandaiti ma brothers angu naivowo vakaita godo
pakafa vabereki vavo vachiti handina chikamu panhaka yababa vavo kusvika
ndazobva kuenda Ku Cyprus.

Ndakagamuchirika mama handidi kunyepa and rudo rwacho harusi fake."

"Neniwo ndakazviona mhuri yacho ine rudo rusiri rwekunyengedzera. And


ndinotenda mwanangu nekugashira baba vako. He remains your dad
zvisineyi nekuti vakatiitireyi muupenyu. Motangira ipapa and ndivo vane
key yekuropafadzwa kwako ivava chero rikava benzi. Zvatakaitirana ini
nababa vako hazvinei newe nekuti tikatarisa tose ini nababa vako unogona
kungotipa mhosva nekuti neniwo ndakasarudza kukutengesa ndakatadza
kumira sezvinotarisirwa kuna mai vose kuvana vavo."

"It is very different mama. Decision yamakaita iyoyo ndiyo yakandisvitsa


pandiri nhasi. Zvisineyi zvakatodarika izvo let's focus ahead.

Pose apa ndakanga ndakanyebera kurara ndichida kunzwa zvavaitaura.

154 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndainzwa moyo wangu kunyongodoka chaiko nekudanana kwaiita mai
nemwana wavo. Nekufamba kwenguva vakanga vasisauyi daily asiwo vhiki
yakanga isingaperi vasina kuuya. Kufona vaifona daily vachibvunza utano.
Reginald aitoti awane 30 minutes dzekumbozonditandadza. Ndipo
pandakazowana mukana wekumbotaurawo naye nyaya dzeupenyu ipapo.
Anga akasununguka hake ini ndini ndakanga ndichakabatwa nenyadzi.
Akataura makuriro ake ne adoptive family kusvika paakazotaura napastor
vakamuita kuti azowana ma contact details ekuti agowana mai vake.
Akandiudzawo kudzidza kwaakaita kose kusvika azova doctor.

Ndakazama kutaura naye ndichikumbira ruregerero asi akaramba chose.

"Dad ka, you don't owe me an apology. Asi kuti lm grateful kuti makaita kuti
ndive panyika. Kutaura chokwadi ini handina kumbokura ndichitambura ini
and imi handina kumboziva past history yenyu namama until recently
ndatouya mini muZimbabwe. Saka chigumbu chandingava nacho chingava
cheyi. Instead all these years wakakanga ndakambotsamwira ndimama kuti
why vasinawo kushinga vaineni sezvinoita vamwe vanamai. Asi with time
ndakanzwisisa kuti hakuna mai vangatengesa mwana wavo for no reason.
Iko kutaura kwavakaita nyaya yavo kuna Pastor vavo meant kuti she cared
and vaindifunga.

Kana paine munhu wamungava nechikwereti naye ndimama kwete ini.


Pavakandiudza nyaya yavo ndakamboda kuhakira zvekuti kuuya kwatakaita
Ku Christmas party ndakanga ndichakabatikana. Asiwo nekuona kuti mama
vacho havasi kutombotaridza kurwadziwa kwavakandiratidza ini
pavakatsanangura story yavo ndakatoona kuti hazvisi zvangu to judge you. I
know kuti deep down she is hurting asi kuti she is putting that smile on my
behalf. She is trying to make me fit into the family which I did without
struggle. I now have wonderful, loving, hardworking and focused brothers,
blood brothers for that matter, I have wonderful sisters in-law, I have a
wonderful sister nemukwasha, my brother left me a daughter Nyasha and I
love her with my heartbeat, I'm ready to take over every responsibility ingava
nechekuita na Nyasha. She is my daughter. I have mommy and I have you
dad, I think I have enough and I'm blessed. Chandava kuda ikozvino is to
find myself a home of my own ndotangira ipapo.Kwete kuti ndine chandiri
kushora kumba kwemuningina wangu asi kuti ndakatoona kuti ndikaramba

155 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vachindispoila zvavari kuita ndinototadza kuita zvanguwo zvinodana ini
muupenyu. At least ndakadzidza zvakawanda kubva kwavari and ndava
kuchifanirawo kutanga zvangu. With your blessing I can do it"

Ndakangogona kuyeredza misodzi chete asi mashoko akaramba kubuda.


Ndaida kubvunza nezvamai vake asi ndakaona kuti zvingazoita sendine
chandaivandira izvo kwete kungoda kungoziva hangu saka ndakasiyana
nazvo. She was living her life zvanga zvavawo kwandiri kuchigadzirisa
hwangu. Mwari vakandinzvengesa rufu nechinangwa and I had to take it as a
second chance granted to me and make the best out of my remaining years.

Pakataura Reginald zvekuti anoda kutsvaga imba ndakabva ndafunga umwe


akambouya achitenga building material ku hardware kwangu aivaka
kuKwekwe akati ane 3000 square meter plot ku South View along Bulawayo
road raaida kutengesa akandipa first preference. Aigara achifona achida
kunzwa kuti ndichiri kurida here manje mari dzacho dzairamba kubatana.
Ndakambofunga kukumbira vana ndikanzwa kuremerwa chaiko
ndikazvirega ini iye akadzimara angonyararawo. Saka musi wakataura
Reginald zvekuti anoda kugadzira pekugara ndakabva ndamufonera akati
inongovapo stand kana ndichiida. Ndakamuudza kuti mwana wangu ndiye
wandaibvunzira. Saka paakazouya kuzondiona ndakamuudza nezvestand
yacho kuti kana achiida atenge hake agovaka. Ini pandaizama kuunganidza
mari ndipo pakapinzwa mazivanhu basa nemupengo wangu mari
ikapfachurwa pfachurwa ndikasviba moyo ini. Ndakafonera muchinda
wacho ndikamuudza kuti asvike kuchipatara kwandaiva akaita sekudaro
vakabva vaenda vose kuplot kwacho nemukomana. Akadzoka achiratidza
kuti arifarira ini hangu ndakanga ndisina kumbosvikako. Zuva rakatevera
racho akabva atoribhadhara akapiwa matsamba acho. Akauya akanditenda
kuita sekuti ndini ndakanga ndamupa mari yacho yekuribhadhara.

Mazuva akafamba ndichiporawo zvakanga zvava kuoneka. Umwe husiku


ndakavata ndichikwenya zvekuti ndikatozopiwa mushonga wekuzora kuti
kuvava kupere. Ndakaudzwa kuti zvaikonzerwa nekupora kwandaiita
ndikapiwa mushonga wekuzora zvikatoperawo. Mhuri yangu was so

156 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
supportive vaiuyawo kuzondiona vaiva kure vachifonawo. Mukwasha
nemudzimai wake ndaitaura navo zvakanyanya vachindibvunza utano.
Ndiwo mazuva aigadzirwa muchato waDerrick asi ndakanga ndisina
chokwadi chekuti ndaizoenda here.

Munin'ina wangu akamboda kutaura nyaya yake yandakatobata hangu


kwayakanga yakarerekera ndikatomuudza hangu kuti handichada chekuita
nemunhukadzi. Kwete kuti vanhu vakaipa asi kuti ndakanga ndisina luck
razvo vose vandakasangana navo raingova disaster kupera. Ndakaona kuti
zvinganetsa ndakutochembera ndichingodzungaira. Kwete kuti ini ndaiva
perfect kwete asi ndakanga ndangoneteswa nazvo.

Musi wandabuda mai Reginald ndivo vakaita vekutanga kusvika


vakarongedza nhumbi dzangu. Regi akauya na Celine ndiye aitsanangura
kuti mishonga yandakapiwa yaizoshandiswa seyi yakanga isina hayo
kuwanda. Vanhu vakasara vosvika pa visiting hour tatongomirira kubuda.
Takaenda kwemuningina wangu tose asi vakaramba havo kuvata
tikazovaperekedza kwavaigara. Kuramba ramba kwandaiita kwaiva kuvhara
kuti ndisazoita sendinoda zvinhu asi kuti zvigozongoita sekuti
ndamanikidzwa kuenda asi kamoyo kaitoda. Hameno kamwe ka feeling
kandaingova nako so kekutorwadziwa kuti pamwe handichazoonana zve
namai Reg ko vaigovingeyi ndakanga ndapora. Saka ndaida kungonoona
pavaigara kuti rimwewo zuva ndikazoita zvivindi ndaizovashanyirawo.
Takaenda zveshuwa ndikanopaona pavaigara and imba yacho yakapedza
vanhu vese mate mukanwa asi hapana akagona kupa comment nekuti ivo
vakanga vachiratidza kugutsikana nepavaigara vaiona pakavakwanira.

Havana kana kumbonyara napo nekuti vakatofamba vachitiratidza marooms


ose twaknaga twakaita tumikoto asi maiva very smart maitoratidza kuti
pavakabudamo vakasiya vacleana. Takasvika nemubedroom mavaivata
ndikamhanya kutsvaga kuti hapana here chingaita chemunhurume
ndikashaya kana chimwe. Pane kagodo kakambondibata ndikakasira
kuzvidzora kuti ayewaka chero vakava naye ini chaindirwadza chii.

Ndakadzokera ndava kufunga mashoko emwana wamai vangu asi zvivindi


chaizvo zvekuti ndingataura zvekudzokerana na mai Reg zvaiva zvisipo.
Ndakamboita kapfungwa kekuti asi kushina shina kose kwavaiita kwaiva

157 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kuyedza kuzviswededza pandiri here ndikakasira kuibvisa pfungwa iyoyo.
Yakazokurira yaiva yekuti she was doing it to help her son to fit into the
family zvandakanga ndambonzwa vachitaura kuna Reg musi wandainyepera
kuvata she was not doing it so that she wins my heart back. Asi zvisinei i
appreciated hangu rudo rwavakaita nekuti handina kumbosurukirwa
muchipatara mai nemwana did a very good job to make sure kuti i was
comfortable and ndivo vaitova pamberi. Kunyangwe vaizviitira havo kuti
vakanga vachi feela guilty uye kuzvipomera nekuda kwe njodzi yakandiwira,
I was grateful.

Vaifona havo here and there vachibvunza kuti ndiri sei uye ndivo
vakazokumbirwa kuti vazosara na mainini pamba vanhu vachienda
kumuchato. Havana kuramba vakatouya a day before zuva ratakaenda isu
vakasara pamba navatumbwa. Muchato wakanofamba zvakanaka chose
mufaro ukazowedzerwa pakauya news dzechishamiso chakaitika mumusha.
Mainini vangu vana 4 one time ahhh zvakashamisa. Mwana wamai vangu
akachema misodzi yemufaro chaiyo kana kuvata akatadza achingonetsana
ne phone yamai 4 yairamba kuita through ichienda straight ku voice mail.
Vakazotaura na mai Regi ndivo vakazotaura kuti vakanga vati vambodzima
phone vawane kuzorora. Ndakataurawo navo mai Reg ndichivakorokotedza.
Vana vakanga vati taizodzoka kuZimbabwe after 2 days pane kwavaida
kumboenda nesu asi zvaktozotadzika munhu wese omhanyira kuzoona
munana waMwari wakanga waitika mumhuri. Hapana akanga akazvitarisira
kana. Vamwe vakasvika vakambotanga vaenda kudzimba ini nemukoma
wangu tikangonanga kuchipatara. Haiwa munin'na wangu could not hide his
joy. Nguva dzatakasvika isu takawana tete vamainini vatovapo kare mai Regi
vachiti vakavafonera time dzakapinda mainini mu theater vaiti vakangoona
number yakanzi tete vakango assuma kuti ndiyo hama yamainini
vakavafonera vachivazivisa kuti mwana wehanzvadzi yavo yapinda mu
theatre vakavaudza zvakare pakauya vana saka vakafumobata jongwe
muromo kuti vasvike vachibata visiting hour ya 10. Maiva zvakare nana
mbuya vamainini vaviri naivowo vakavata vaudzwa natete vakamukirawo
kuuya. Vakanga vakangogara vakazvipeta pamusoro pemazichangani bag
aiita sekuti vanoenda kunotengesa kujoni hameno kuti maiva neyi. Vatete
vairongedza nhumbi dzevana vachidziburitsa mu suitcase yakakura chose
vakanga vadarika vachitenga ma edgars mutown hameno kuti vakaburitsa

158 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
marii ipapo. Mai Regi vakanga vakawaridza vana pamakumbo avo ini
ndakangoita vekudongorera ndakatya kana kuvabata. Baba vacho vakatanga
vambonanga kunombundira mai vacho vakapiwa kiss ipapo. Vakatozonzi
namai reg mune vayenzi vangoramba vamanamira pamukadzi wavo hameno
zvaitaurwa ipapo nekuti ndakaona mainini vavgu vakudonhedza misodzi.
Vakatanga nekumhoresa vana mbuya ndokuzouya pana tete
vakazonichinjanisa kubata vana vavo vachivakisa. Mainini vakanga vachimo
muchipatara saka takazovasiyamo hedu tava kuenda kumba. Vatete nana
mbuya vakambosara vakazotevera havo kumba. Takapesanawo nana
Khumbu nemudzimai wake vachinoonawo vana pavisit yemasikati vachibva
vatooneka vaiti vanobva vadarikira kwavo kuchivhu. Tete vakabva
vaonekawo vachiti vaiva nerwendo kuenda kumhiri nechipiri saka vaida
kunorongedza.

"Pandakaudzwa shoko ndakati hsndingaendi ndisina kusvika kuti ndizoona


Kuti situation yakadii. Saka ndaona kuti . maiguru vavo varipo saka regai
ndiende wekuvabatsira aripo."

"Haaa kana nesu tauya kuti tizomboita zvimazuva tichibatsira muzukuru


tozoenda hedu vana vati kureyi uye iye anyatsosimba."

Mashamiro akaita muningina wangu muromo akatarisa mazichangani bag


airatidza kuti vanhu vatouya zvekuzochovha mazuva varipo.

"Maita zvenyu vana mbuya nechido chenyu, asi kana zviri zvekubatsira
takatogadzirisa kare maiguru varipo vanobatsira."

Vakaratidza kusuwa chaiko vana mbuya. Vakazonoiswa kuguestroom


kwavaizovata. Tete vakabuda vakaenda havo kwavo. Vana mbuya vakagara
kusvika mainini vabuda kuchipatara uye Mai Reg vaivapo vaienda kuseni

159 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vozonodzoka manheru. Vana mbuya vakazongooneka vakapiwa mari
dzemabhazi vakadzokera kwavo mushure mekunge vanetsana nemuningina
wangu vachiti vanoda kugadzira vana. Ini ndakazoonekawo ndava
kudzokera kuKwekwe asi Mai Reg vakasara nekuti vaitozoita mazuva varipo
vachibatsira mainini. Takanga tava kungotaura pafoni nenguva dziri Kure.
Takanga takuita tichijairana chero nyaya dzekutaura dzataimboshaya
dzakanga dzobuda.

Vana Dillan vakazodzokawo zvikoro zvava kuvhurwa kuitira mwana


wechikoro Nyasha akanga atova grade 7. Vakauya kuzondiona kuKwekwe
nemhuri yake yose. Ndakanga ndava settled zvangu chero muviri wakanga
wava kudzoka ndaitozvinzwa. Business rangu raifamba chose kuboostwa
kwandakaitwa naDerrick handina kuzombomira. Reginald akanga atotanga
kuvaka kustand kwake and imba yacho yainzi iri kupera in 3 weeks
construction company yakanga yapiwa basa yaiva very fast. Kureva kuti by
end of May yainge yapera. Semugariro ndiyo nyaya yakanga yongotaurwa ye
official opening yeimba yaingonzi yaita mbiri mu South view. Ini ndakanga
ndisati ndambowana mukana wekuendako. Second week yaJune ndipo
paizoitwa official opening saka mhuri yose yaizoungana zvakare. Mukwasha
nemhuri yake ndivo chete vakanga vasingauyi. Vaironga vega vana isu
tichingopiwa update chete. A day before ndakanovatira KuGweru Kuti
ndivobatana nevamwe pamutambo. Yaiva Saturday yaizoitwa mutambo uyu
saka takaita convoy tichienda neBulawayo road. Ini ndaiva mumota yaifamba
na Derrick tiri kumashure shure. Takaburuka vamwe vose vari vamira both
sides of the gate. Reginald akauya akandibata ruoko rumwe ndokufamba
neni ndiri pakati pavotichienda pagate paiva pakavharwa nemucheka
muchena. Runyararo rwaivapo ndirwo rwaingoshamisa. Muningina wangu
akafamba akasvika paiva nemucheka uya akavhura. Ahhh ndakambotsokota
maziso ndichitadza kunyatsoona zvakanga zvakanyorwapo. Infact
ndaizviona asi I couldn't believe it.....

160 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 14
Shumirayi

Kukuvara kwakaita Mhofu kwakambodzikisa mufaro mumhuri asi hazvina


kutadzisa hurongwa nekuenderera mberi neupenyu. Patakangoudzwa
chete kuti upenyu hwavo hwakanga hwabva munjodzi life was back to
normal tikatoenderera mberi. Baba Chichi vaimira chose semukomana
mukuru vachitikurudzira tose sevana varoora uye mukwasha vekwaMpofu.
Ko ivoka he was the role model for us all. Taitarisa kwavari and wainzwa
mumwe nemumwe achiyemura kuti kana akasvika pana baba Chichi anenge
afamba. Ivowo vaigara vachisimbisa nekutikurudzira kuti zvipo hazvifanani
and umwe neumwe anogona kuita zita rinoenda kure chaiko nekuda
kwechipo chake chakasiyana necheari padivi pake. He was right nekuti chero
bhaibheri rinotaura wani kuti chipo chako chichakuwanisa ugaro pane
vakuru. Vaigaropa muenzaniso wemukomana wavakadzidza naye kubva
kuprimary wavaiti aiva hutsi zvaho asi mumakumbo umu aiita zvinogara
zvakadaro. akati ava form 2 akawana scholarship akanodzidza ku
Lomagundi College mahara kusvika apedza chikoro akabva atongoenda ku
premier league akatanga achitambira Chapungu FC from there he was
unstopable. Asi haana kana subject rimwechete haro pa form 4 kana 6 yacho
akangoenda zvekuti arambe ari pachikoro. Chinodikanwa ishungu nekuva
focused muupenyu. Nekuva nemeso anogona kuona mikana kana yauya
muupenyu hwedu.

Vana tete vangu nemukwasha vakasimuka kuenda ku Canada uye vana baba
namai Chichi vakasimukawo same day kuenda kwavo ku South Africa.
Bamkuru Reg vakanga vava kushandawo pa hospital pemukwasha uye baba
vai recoverwo vari muchipatara. The whole family was there to support him
uye mama mai Regi vakamira chose kuona kuti patinotadza isu kuenda
kunovaona nekuda kwema committments akasiyana siyana ivo was there
for him. Mama mai Mhofu vaimirawo samai pamusha asi zvinenge zvanga
zvorema vakanga vakurirwa ava. Asi vakanga vakasimba havo waiona kuti

161 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vaishingirira. Bamukuru pavakatanga kuenda ku hospital kwemukwasha
vakanga vapiwa imba ipapo asi baba Fadzi neni takarambisisa kuti vaende
kunogara pa hospital.

"Blaz dzimba dzepachipatara siirayi vasina pekugara kana kuti vasina mari
yekubhadhara rent. Imi penyu ndepano kana muchida munotora western
wing yose iyo isu we are still small hatiishandisi. Kune kitchen, living room,
dining, 3 bedrooms ikoko saka kana muchida privacy makasununguka chose.
This is your home Mhofu sunungukai henyu"

Zvekutora imwe wing vakaramba tikagara tose as a family. Bamkuru


vakanga vakanyarara vachitaura zvinyoronyoro samai vavo asi misikanzwa
yaivapo hayo ndakaiona ini. Murume wangu akanga asingagoni nemukoma
wake and wainyatsoona kuti weropa ndeweropa. Tsano Cliff vakabva vasara
nesu vachimirira kuzotanga masters yavo gore raizotevera nekuti vakanga
vanonoka kuregister. Ndaivadira kuti vakanga vasiri simbe vaigona zvose
kubika, kutsvaira kunyangwe mugarden. Asi pakaenda vana tete kuCanada
tsano ndivo vakazosara havo vachiona nezvekushop kwatete vachimirira
kuzoenda kuchikoro. Kungoti nyaya dzevabereki vazhinji dzekusarudzira
vana ma proffessions ekuita ivo vakanga vasingadi zvavakanga vachiita
zvavakasarudzirwa na dad. Chero masters yacho vakanga vasingadi kuita
zvaiva zvekumanikidzwa. Ivo passion yavo vaida kuenda ku school of mines.
Ndakavanzwa vachitaura na tsano vavo kuti havana wavaiziva here aigona
kuvarongera apprenticeship pa intake ya August vatange havo zvavaida
chaizvo zvaiva pamoyo pavo. Vaivapo vakawanda vataiziva vekuchurch
vaiva ku Unkie Mine, Sabi gold mine uye ku Mimmosa. Asi zvaida kuti dad
vambotanga vaita approve zvisazoita sekuti tava kumhura ma decisions avo.
Saka vaimuka vachienda havo kushop kwatete and zvinenge zvaitovanakidza.
Aiva munhu uya anotaurisa asi taigara tichifa nekuseka zvekutyoka mbabvu.
Pakauya Celine ku hospital kwemukwasha hanzi

"sis mokaona sei kababe, ndafunga kuendera hangu ikaka kanenge


katotapirirwa neni. Ne skin yangu iyi tinozvara mbama chaidzo. Plus ini
handisi kuda zvekuroora ini ndoda kuroorwa. Mari yekuroora yakawandisa."

162 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Ahh tsano tinozogona kutaura naye here isu murungu"

"Ndomudzidzisa ini pandinozomuroora, infact paanopedza attachment


chinenge chava chimuzezuru chaicho."

Takatombofunga kuti vairevesa tsano nekuti mawirirano acho akanga


akanyanya hanzi ndiri kumudzidzisa tsika nemagariro. Paaiuya kumba
aitambura achinzi idya sadza nemaoko. Iyewo aizvida waizoona paaipedza
sadza racho richiita kunge ranga richidyiwa nehuku. Ma lines mazhinji
eshona akanga ava kutogona.

Jane akatangawo kuenda kuchikoro mutown pa private college akatangira


form 3. Mai Tino, mudzimai wa gateman/ driver ndivo vakanga vava full
time maid asi vaigara havo ku cottage nemhuri yavo. Vakanga
votokwanisawo kubhadharira mwana wavo chikoro akanga achitangawo
grade 1 pa CJR primary school paidzidza Nyasha. Iye akanga atovawo grade
7. Nyasha aiva akatora bhonzo raana baba vake aiva nemuviri muhombe
asi zvose zvakanga zvakaenderana. Akasvika grade 5 chaiyo mazamu
atobumba tumagaro twotozungunuka. Saka kwaitova kurairisa chaiko kubva
kugeza nekuzvibata. Aidzidzisika chose mwana wacho asi ndaipota
ndichimbopinda achigeza kungoona hangu magezero nezvimwe
zvandaitsvaga. Zvidhori akadhonza zvikaita size yakanaka asati atevera saka
anga akashonga zvakanaka. Pose pawaimuraira wainzwa oti " musandityira
mama i will never disappoint you" Pamwe ndaimboita evesdropping
ndichinzwa achitura natete vake paphone pamwe ndomboitora
ndichidongorera ma message. Uyu akanga aita rombo rakanaka kuitwa
mugaridzanwa chaiwo, mai Shammah nedivi, mai Chichi nekoko, tete
nekoko, ini ndirimowo mudhuze. Vose vaisimbisisa yekuti ndiwe sisi vakuru
vana vanofanira kudzidza zvakawanda kubva kwauri. Zvimwe zvinotodawo
kuti nesuwo vabereki timire nevana vedu vedu pamunyengetero nekuti
dzidziso isina backup yemunamato inogona kushaya support. Ndainamatira
mhuri yangu zuva rimwe nerimwe kuti ziso raMwari risabva pavari.

Ko iye Jane manga muchamuziva here. Runako rwanga rwabuda chocolate


skin yanyatsotsetseka. Kupfeka yanga yava shasha zvawedzerwa ne college
kwaaienda mucheno waiva wozivikanwa. Ndakamupa mari akanotengawo

163 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ega nhumbi dzaaida semusikana ndikazongo approva chete. Zvimwe
ukazowanzisa freedom munofambirwa vanhu vakashama zvikanyadzisa.
Saka vaitakurwa nemota vose makuseni nababa Tino votanga vanosiya Tino
na Nyasha ku CJR vozonosiya Jane kuHerentals. Ini chekumirira pakanga
pasisina. Mwana ndakarumura ndikatanga kuenda kuchikoro ku MSU
ndaiita hangu ndichibva kumba. Ndakaona kuti ndikaita zvekuverengera
ndinozviruza nekuti baba Fadzi vakanga votoda kundichinjira magoal posts.
Shanje dzakanga dzakamuwandira murume wangu akatanga achiita
chibhende kudzamara a day before musi wekuvhura paakanyatsodudza kuti
haana kusununguka kuti ndiende ku MSU hanzi kwakawanda chipfambi.
Ndakapererwa munoziva kuti nguva yose munhu akanga akanyarara ozoti
last minute kune chipfambi. Ko munhu ari pamba haaiti pfambi here kana
achida hake kuita benzi.

Apa munhu akauya mustudy mandaiva ndichipedzisa kurongedzera


zvekuchikoro ndiine excitement yekuti ndava kuenderera mberi nechikoro
zvandakavimbiswa. Ndaiti kuda munhu achati ndiri kutamba ini asi
akatobuda akaenda kunovata ndikasaramo ndakati kanha. Ndakamboda
kuchema ndikaona kuti hazvishandi bodo. Ndakaita almost one hour
ndakagara ndichishaya kuziva zvimwe zvekufunga. Ndakambobata phone
ndichida kuudza mai Chichi kuti zvangu zvavhariswa asi ndakakurumidza
kuzvidzora. Ko takanga taswerazve tichitaura nyaya dzekuenda kuchikoro
vachindiudzawo kuti ivo vaizotangawo kuenda kuchikoro muna January
imomo. Ndakapfugama ndikanamata kuna Mwari nemisodzi chaiyo.
Ndakaita almost 2 hours ndirimo ndichigomera kuna Mwari wangu.
Ndakazoenda kunovata ndikasvika shasha yakasvinura. Ndakananga
mubathroom ndikanogeza kumeso kwangu kwandainzwa kuti
kwakanyangara nemisodzi ndokudzoka ndichipinda mumachira ndokuvata.
Haa ndakanga ndisiri mu mood yegame ini ndaitova off chaiko asi
ndakangovavarira. Chero muviri waitondiremera ini ndakanga ndiri off
chaiko. Takangoitawo zvemutemo ndokuvata. Dzakanetsa kubata hope
ndichingopishana mupfungwa ndichifunga kuti chokwadi nezera rangu
ndaizoveyi muupenyu. Ndotangirira kuita fulltime house wife ndiri
mwanana kudaro here. Iye akanga avata zvake zvemunhu ari parugare asi
ndaiti ndikamutarisa ndaibaiwa pamoyo. Why akanditsotsa kudaro kuti
ndaizoenderera mberi nechikoro ko paaizvitaura akanga asingazivi here kuti
kunoitwa chipfambi chacho. Chokwadi regai zvichinzi rume risinganyebi
hariroori. Ndakashanyarika husiku hwese ndichishaya hope ndikatozovata
kuma to 4. Ndakatozovhunduka ndichizungunutswa hanzi muka ugadzire

164 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndikuperekedze kuchikoro. Ndakanga ndabikirwa breakfast zvose
nekuburitsirwa nhumbi dzekupfeka. Ndakamboda kuseka hangu ndichiona
dress rakareba kusvika kutsoka rakaiswa ipapo. Ndakangoti dressing haina
chainokanganisa ini zvandaida kuMSU ndaizviziva. Vaivako wani vamwe
vandaiona paTV musi wegraduation vakasunga dhuku yavo yewhite pasi pe
cap of knowledge. Zvino isu vamwe takanga takawanirwa nyasha taiva type
dziya dzekuti chero wakavata mumagumbeze anogona kungokufita futi.
Ndakanyatsogeza kuzvipodora chaiko kusara ndonzwa kuti ndanyatsochena.

Ndakapfeka dress riya nema pumps andakanga ndaisirwa ndokusunga


vhudzi rangu kumashure iro raiita seromuIndia ranga rareba zvekurova
kumusana. Ndakadzidziswa nagogo vangu kuti chose chiri pauri
chinonamatirwa chero vhudzi chairo. Ndaifarira kugara ndakashongedza
face yangu chero ndiri pamba waigona kufunga kuti pane rwendo rwandiri
kuda kuenda, asi apa ndakangoita light make-up ndichitya kuti ndinozonzi
chirega kuenda kuchikoro kwacho wakuda kunonyengwa. Ndakazobuda
ndatopedza zvose. Ndakasvika vamwe vose vakagara pa dining table
vachitodya kuti vabude vaende kwakasiyana siyana kwavaiswera. Ndakanga
ndakabatirwa bag rangu re laptop ini ndakabata handbag yangu. Vanhu vose
vakanditarisa ndichikisa mwana wangu akanga akaberekwa na mai Tino.
Nyasha ndiye akaita zvivindi zvekubvunza

"Makutobuda here mama or muchazochinja."

Ndakanzwa kunyara veduwee apa munhu wese akanga ati ziii akamirira
mhinduro. Ko zuro wacho ndakanga ndapinda mutown navo zve iye Nyasha
na Jane ndichinoita shopping yenhumbi dzangu dzekupfeka pa Varsity. Haa
vanogona havo vakazvidira jecha. Ndakabatikana asi ndakangozviudza kuti
it was not the time to argue kana kurwadziwa. Mwari ndivo vaiziva havo.
Ndakamboda kuyedza kuita as if all is well asi ndainzwa shungu pamoyo.
Hakuna chinhu chinorwadza sekuti murume wako anotadza kukuvimba. Dai
kuri kutadza kuvimba pamari zvainzwisisika pane kusavimbiwa pachinhu
chakarema sechipfambi. Rinenge rava shavi here veduwee nekuti vazhinji
vana vanozonoita chipfambi kuUniversity inenge iri nyaya yekushaya saka

165 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vanenge vachiishandisirwa mari yechikafu, fees uye upkeep. Zvino ini izvo
zvose zvaiva bvupfuwe ndaizoda zvimwe zvei ndiko kusaka ndati rinenge
rava shavi chairo. Ndakasvitswa pa gate chaipo pakanga pakamira vamwe
vakomana three vakatarisa kumota kwedu. Akabuda mwana wekwa Mpofu
ndokutenderera akazondivhurira door. Ndakatambidzwa laptop yangu
ndobva ndada kufamba ndichienda ndikabatwa ruoko.

"Saka handisi kutombopiwawo kiss?"

Ahh ndakamboda kuringaringa kuti pajikerere here ipapo ndikaerekana


ndanamiwa muromo ndikazoregedzwa vanhu vaita mahon'era. Ahh
ndakashaya kana step yekufamba ini vanhu vachipa ma comments. Vamwe
vakati "Haaa munodiwa sistren" vamwe vakati "kiss yakapenga iyo" ahh
ndakanyara ini. Ndaiziva hangu purpose ye kiss iyoyo kuti yaiva yekuzivisa
vanhu kuti she is mine, kugara vaisa ruzhowa. Zvanga zvakangooma hazvo
unozodemba kuti dai ndanga ndangozvirega zvechikoro zvacho ndangoita
zi house wife kana zvirizvo zvaizomusunungura. Ndakasvika pakuti pote
Mota yakangomira hameno kuti akazosimuka nguvai.

Sezuva rekutanga hatina zvakawanda zvatakaita yaingova nyaya


yevregistration yakazopera kuma 12 masikati. Takabva nemusikana
wandakanga ndawirirana naye takasangana kwatai register uye taiita same
programme. Takafambidzana kusvika pama lifts semunhu akanga asina mota.
Akandiudza kuti aivapo time dzandakakiswa naMhofu pa gate makuseni
ndikamuudzawo kuti ndivo baba vekwangu. Takazopesana hedu mutown
iye ava kuenda kuma lifts ekuMkoba kwaaigara. Ndakambodarika hangu
nekushop ndichicheka ndokuenda kumba. Dillan akanga ava nema offices
pa First Mutual building paakanga ava kuitira business consultancy ipapo
uye takanga tichangoregister micro finace company yainzi Shumllan
microfinance yataikweretesa vanhu mari ichidzoka yava ne interest. Taingopa
ma civil servants kunyanya uye mari dzedu dzaingobatwa pama salaries just
like zvinoita ma banks saka pakanga pasina zvekuti heee munhu azotadza
kubhadhara. Akanga aine muono mukuru chaiwo Dillan nekuti aitaura kuti
by end of year anenge ava ne financial institution yake.

166 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Mabanks ariko akawanda akavhurwa nevanhuwo saka ini ndingatadziswa
neyi. I have what it takes and with God all things are possible."

Yes with God all things are possible. We injected quite a lumbsum to start
that project and nemazuva mashoma shoma yakaratidza chiyedza chekuti
taizosvika kure. We were now serious employers vakanga vakatobatawo
guta sezvakanga zvakaita Bata shoe company. Kushop kwaiva nevashandi 8,
ku carsale kwaiva nevashandi 6, kozoti pama officesaiva na 5 kusanganisira
iye, ku Lodge ndiko kwaiva nevakawanda vaiita ma shifts 12 vaipinda 7 am -
4pm, koita va 4-10pm vaiva 8 kozoita vamwe 8 vaipinda 10-7 makuseni.
Paiva zvakare nema grounds man 5. Kureva kuti vose vaiva 33. Vashandi
vose zvavo veku lodge nevekucarsale we just adopted vaiva na dad Mhofu
ivo vakavapupurirawo kuti they were good people havana kumbobvira vaita
problem navo. Food outlet yemuna 2nd street takamboivhara tichida
kunyatsoi renovate kuita a classy restaurant. Takanga taita takeoff
zvinemutsindo and we introduced a culture of praying each time tisati
tatanga basa. Pane vanoita ma shifts each time pavanochinjana vanoita
munamato.

Ndakangonanga hangu kumba handina kusvika ku First Mutual kuna Dillan


ndakanga ndisingadi hangu zvekuzono pretender as if all was well in
ndakanga ndakabatikana. Ndaizojaira hangu nekufamba kwenguva kuti
handitenderwi kuchena kana ndichienda kuchikoro. Zvakanga zvisina hazvo
kududzwa nemuromo asi ndizvo zvazvaitoreva ka kuti after munhu ataura
kuti ku MSU kune chipfambi chakawanda obva amuka achikusarudzira
hembe dzekupfeka mugugururu. Akazofona kuma 3 masikati ndikamuudza
kuti ndakanga ndatova kumba ini.

167 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Wauya neyi?"

Ndakamboda kuseka hangu kuti ini ndakaenda ndisina mota munhu


ondibvunza kuti wauya neyi.

" Obvious nema lifts. Handiti ndaenda ndisina mota here zvamunoziva"

"Ko zvadii?"

"Hapana baba Fadzi. Mabvunza mubvunzo ndikapindura."

Nhai munhu angabvunza mubvunzo wakavata kudaro here. Ndanga


ndakabhowekana ini. Ndaiva nemota dzangu mbiri ndisingaverengi yake
yaakanditengera. Asi munhu omuka achiti anondiperekedza kuchikoro.
Ndichitora licence ndiyo yaiva main aim yangu kuti ndigowfamba nyore
kuenda kuchikoro nekubasa. Saka paizonopera 4 years aizofa hakezve
neshanje dzacho.

"Dai mafona ndazokutorayi"

168 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Ndangoona kuti handingakusiisiyi basa muchiteverera munhu mukuru
akaita seni. Mune basa rakawandisa daddy saka ndangoona kuti better ndiite
plan yekudzoka kumba ko ndiri mucheche here angatyirwa kuti angarasika."

Yakabva yangogumawo yakadaro nyaya yacho. Manheru akadzoka kubasa


akasvika ndiri mukitchen ndichibika mai Tino ndakanga ndavati vaende
havo since ndakanga ndakasira kudzoka. Aingonyara nyara ndikaziva hangu
zvaishungurudza munhu. Ndakangopedza kudya ndikanovatisa mwana
wangu ndikanogeza ndokuuya kuzovata. Ndakawana munhu akasvinura.
Ndakapinda mumachira ndokuvata hangu.

"Ko chii mai Fadzi. You are not yourself."

"Ndiri bhoo wani nei madaro?"

"Kubva pandambobvunza kuti mauya neyi ndanzwa mhinduro pandabvunza


kuti mauya neyi?"

"Ahhh ndanga ndichifanira kupindura kuti kudii? Imi ndimi manonsisiya


nemota yenyu ini ndanga ndisina mota saka ndaigouya nei kunze kwekuuya
nemalifts."

169 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Dai wafona ndaitadza kuzokutora here?"

"Baba Fadzi ngatitauriranei chokwadi. Ndaona kuti its good ndingojaira kuti
handikwanisi kushandisa mota ndiri ndega ndinotyirwa saka zviri nani
ndigare ndajaira kukwira ma lifts. Muchange mava kutravella zvakanyanya
baba Fadzi saka ndorega chikoro chacho here mazuva amunenge musipo.
Nekutika munenge muchifanira kunondisiya pagate everyday mosiya
mandikisa pajikerere kuti vanyatsoona kuti ndiri mukadzi wemunhu."

"Mai Fadzi? Zvadiiko nhasi?"

Ndakanga ndava kutaura zveshungu chaizvo.

"Kana ndataura zvakashata sorry. Asi handiti tiri kungotaura tichionesana


here. Chokwadi chaicho murume wangu ndechekuti une shanje. Imi munoti
ndinofungeyi kana mabva kundiudza kuti hamusi comfortable kuti ndiende
kuMSU kunoitwa chipfambi mobva mandiisira hembe yakapera muto kuti
ndipfeke iyoyo. Handiti kwanga kuri kuzama kundidzikisira kuti pashaye
anonditarisa handiti. And handisi mwana mudiki ini that kiss was fake.
Kana muchirwadziwa kuti ndaendereyi kuchikoro makambobvumireyi in the
first place makadii kungogara marega kubhadhara fees yacho. Ndinorega ini
chikoro chacho pane kuti ndonoita semunhu anotamburisa nemadhumbu
pane vamwe. Thats an insult kuna Mwari. Variko wee baba Fadzi vari
kushaya hope kuti vobatanidza sei zvekuti vapfeke vawane masvikiro pane
vamwe ini ndonzi pfeka madhumbu nekuti ungazoita chipfambi. Chero ndiri
pamba ndinotadza kuchiita here kana ndichida. Chero ndikaita gore behind
locked doors ndogona kungobudamo ndiine chikomba kana ndichida. Better
zviregwe zvechikoro zvacho nekuti zvakagara zvichinetsa kubva kare izvi."

170 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Akamuka akagara akanditarisa zvemunhu apererwa chaiko. Akanga
angojaira Shumirayi anongoitwa yese yese achiramba akanyarara.
Ndaitonyatsotaura ndakangwarira mashoko andaitaura kuti asazotsaudzira
asi ndaburitsa zviri pamoyo pangu tichitaurirana mune zvakanaka.

"Yes zvinenge zviri kunetsa izvi. Wakandiroora ndiri mwanana ndiine


shungu yekutanga ndapedza chikoro zvamakaitawo imi asi you promised me
kuti ndinoenderera mberi nechikoro tava tose asi maireva kuti ndaizoita ma
private lessons pamba here? Kana kuti it was just a way yekunditadzisa ku
achieva goal yangu. Wakadii kurega ndakatanga ndapedza zvechikoro
zvacho waizoona kuti ndaiita chipfambi here nekuti ndaenda ku college. I felt
out of place nhasi saka kwanga kusisagariki ndakamirira time yaunozoita free
kuzonditora. Seku department kwedu kunochenewa ini ndichingoita
sezimbuya muderere ndiriko. Ndichajaira hangu asi ndangoti muzive how i
feel. Handife ndakaita pfambi ini baba Fadzi nyangwe ndikadzidzira muclub
ndinoziva zvandakavinga pa MSU handina kuenda kunotsvaga varume
handina zhara yavo. Im more than satisfied newandinaye ndoda umwe
wekudii naye. I have more than enough money saka ndohurira imwe
yekuiteyi nayo. Vamwe vanonyengerwa kukwidzwa mota chaiko but ndine
munda wadzo saka ndenge ndoda ndege hangu kanhi? Hazvibatsiri baba
Fadzi kuramba tichingonetsana nechinhu one chinogona kugadzirika.
Ndikasadzidza handimbofi ini and handisati ndamboona guva rakanyorwa
kuti uyu akafa nekuti akanga asina kudzidza. Goodnight."

Ndakafuga musoro chaiko kuti ndivige misodzi yakanga yoda kubuda.


Chiiko chaimbova pandiri chaiita kuti murume wangu angoona sekuti
ndogona kungohura? Ahhh zvakanga zvava kubhowa izvi. Ndakanga
ndaudzwa kuti pane time yandaizoenda ku Mozambique during the course
of my programme for three months kunodzidza ma languages ini ndakanga
ndasarudza Swahili ndiyo yandaida kunodzidza. Pane zvaibuda ipapa

171 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
neruchengera rweumwe wangu? Ndakavata ndikamusiya akagara ipapo
hameno zvaigaiwa. Ndakanga ndisina kuvata hope hangu ndikanzwa
ndakuzungunutswa ndikaramba ndiri ziii zvangu.

" Sorry mai Fadzi muka lets talk this over. Saka wakuda kutovata
wakanditsamwira here?"

"Vatai baba Fadzi ini handichina zvekutaura. I have made up my mind. My


marriage first nekuti ndiyo yakatanga zvecollege zvisati zvauya izvi. Asi dai
wakangogara wataura kuti haudi ndisina kusiisa mwana wangu mukaka
ndakangoziva kuti Im a fulltime housewife anoswera pamba nekuzvara
achiyamwisa vana kusvika vava kuruma zamu. Vatai muzorore mangwana
munoenda kubasa."

"Usadaro shaa. Ndati sorry wani?"

"Ndazvinzwa."

"Eish"

Eish kudii nhai munhu anozviitisa. Ndakanzwa munhu ava kutura mafemo
achipinda mumachira ndokupfekenyedza kundimbundira from behind.

172 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Sori mukadzi wangu. Kumwe kuchengera rudo shaa. Ndinomanzwa ma
stories evakadzi vanonopanduka vava ku college. Zvinongondibatawo asi
ndoziva kuti iwe haudaro."

Kuruma achifuridzira chaiko. Hapana zvimwe zvatakazotaura nezvazvo.


Ndofunga ndini ndega ndakanga ndangobatwa nehope nekuti pasina nguva
ndakapepuka ndasimudzwa gumbo munhu achisenerera from behind.
Ndakambochovhewa ndakadaro ndikazopidigurwa ndikataridziwa pasi
ndikasimudzirawo chiuno kuti zvinyatsoita. Yakazoita one strong session
tikavata tambundirana tatova bhoo. Hatina hedu kutaura zvekuchikoro saka
ndakangomukawo very early. Fadzi akanga ava netsika yekumuka kuma 5
ozovata futi saka ndakabva ndatomugezesa akachinja kuti ndimusiye ari
smart. Ndakagadzira zvekuchikoro ndikapfekawo zvaidikwa nadaddy
ndikataura na baba Tino kuti vagozondiperekedza kuchikoro. Taitanga
tanosiya vana tozodarikira ku college since ini ndaiti nonokeyi kuenda.
Vamwe vose vakazodzika for breakfast ini ndatopedza kare. Ndakanotora
laptop yangu ndakawana Dillan atopedzawo kupfeka ava kuda kudzika for
breakfast. Iye ku office aizotanga hake na 8.

"Ndakuenda toonana manheru"

Ndakabatwa ruoko ndava kufamba.

"Hamuna kutora makey wani."

173 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Ndiri kuenda na baba Tino vachanondisiya vozonditora kana ndachaisa kuti
ndisakupa pressure"

"Ndokumbirawo uende nemota yako hun. At least ndiko kuti ndione kuti
wakandiregerera. Plus ndokumbirawo kuti sematangiro andakaita
uchingorega ndikusarudzire ini hembe dzekupfeka"

Ndakambozvitarisa kuti asi ndakanga ndashaisha kusimira here. Ko


zvarakanga rakati rebeyi kupfuura mabvi wani. Kungoti maumbirwo acho
mahips acho aingobuda chero rikava flared dress. Akaswedera padhuze neni
akandimbundira ndikambokiswa ipapo ndikatozozvikwachura ndaona kuti
ndingatozononoka kuchikoro kwacho zvava zvimwe.

"Zvanhasi uri bhoo hako asi from tomorrow ndichakusarudzira ini


zvekupfeka. You have to look your best"

Ahh hameno zvakanga zvafungwa. Akabva afonera baba Tino kuti vaende
havo ini ndikaburitsirwa jeep ikasiiwa mhino yavapagate. Kunyengerera
chete yaiva shasha chaiyo. Ndipo pakatanga rwendo rwangu pa MSU
ndichiita Bachelor of Commerce in Tourism and Hospitality Management.
Manheru ndakasvika asati avapo pamba. It had been a very busy day saka
ndakanga ndaneta zvekushop handina kutombogurako. Akaburutsa suitcase
nyuwani guru rekupedzisira chairo mumota akanoisa ku bedroom kwedu.
Takadya hedu tikanamata nekuti ndizvo zvataigaroita kuitira vanonovata
voenda havo vanosara vachiona bhora vosara. Ndipo pandakanowana

174 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
suitcase ichiita kushinyira nenhumbi itsva zhinji dzacho twaiva tumasuits
twaiva nema slacks anonyatsofita size chaiyo. Kana aiva ma skirts akanga
achinyatsofita asina kuita migugururu haaa zvose zvakanyatsofita kani.
Ndaizochena zvechokwadi sekureva kwake.

Kufamba kwaiita mazuva takanga tave kugadzirira muchato waana mai


Chichi. Mhofu vaiporawo vari muchipatara zvinova zvaitipa mufaro semhuri.
Mama mai Regi vakamira chose ndaingofunga kuti yaiva nyaya yekuti
vaifeela guilty kuti ndivo vakanga vakonzeresa. Takamboti vauye kuzogara
nesu imba yedu yakanga yakakurisa asi vakaramba hanzi ndinobva kumba
ndichiuya. Takazonzwa zvekuti babamukuru vakanga vatenga stand
pazvakataurwa na tete daphne pa group. Manheru acho ndipo
pavakazotaura kuti Mhofu snr ndivo vakanga vavachestira ivo vasisakwanisi
kuitenga.

"Ndakanoiona ini yakanaka and yakakura stand yacho. Dad vakati vakanga
vachiida asi vakazoshaya mari yekuitenga. Ini ndinoidawo hangu asi ndaona
kuti regai ndivatengere hangu ndivavakire pekugara zvangu ndozozviona
after ivo vava nepekugara. Mukukurukura kwandaiita navo vakandiudza
kuti ivo havana pavo imba yavari kugara kuKwekwe ndeya dad vekuLundi
saka ndaona kuti better vaitewo pavo pavanoti pavo.Just to appreciate him
nekungoita kuti ndivepo. I am what i am today nekuti ndakazvarwa.
Zvakaitika zvakaitika hazvo asi the fact that he is my dad will never change. I
still need his fatherly blessing vakadaro sezvavari."

Yaa vaitaura chokwadi babamukuru vangu. Chero vakapenga zvekunonga


mumabin hazvichinji kuti ndibaba. Ndakazonzwa rimwe zuva Dillan
achindiudza kuti vakanga vafunga kubatsirana kuvaka imba yacho vari
vatatu nababa Chichi. Kwete kuti ivo babamukuru vakanga vasingakwanisi
kuita vega asi kuti vana vacho vakangofeela kuti vanoda kubatana kuitira

175 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
mubereki wavo. Ndakazvifarira pakuti nanababa Fadzi vakanga
vavhurikawo pakuti mubereki chero akava benzi haachinji. Ivo handifungi
kuti pane pavakambofunga kuitira baba vavo chinhu chikuru chakadaro
kunze kwekungovasapota chete. Chakakura chavakavaitira yaitova rori
yavakatengwa na babamukuru baba Chichi. Ivo babamukuru wanted it to be
a surprise saka zvakaita sekudaro. Zvaingova pakati pevana vatatu nesu
madzimai acho uye pakafamba nguva Mhofu vekuLundi vakazoudziwa havo.
Takasara toenda kumuchato wana mai Chichi basa ratotanga kustand
vakahaya construction company yekwaRutsvara ndivo vaivaka. Sakatakasiya
vachitanga ku clear ground uye ku driller borehole kuti panozotanga
kuvakwa mvura anenge ari machaka machaka. Iko ku area ikoko vanhu
vazhinji vaitoshinga ne borehole water nekuti ye council yakanga isingasviki
ikoko.

Mama mai Regi ndakazonzwa kuti vaiziva havo surprise iyi uye ndivo
vakatokurudzira kuti avakire baba vake pekugara.

Hanzi ivo vakati vanoda kumboita followup plot ravakambowana


kuShurugwi kwavakambogara vakazombosiyana naro rapinda politics ndipo
pavakazonogara mukomboni. Asi hanzi vaiti vakanzwa kuti vamwe
vakadzoserwa vava kutogarapo vachirima nekuvaka. Saka hanzi vakati
vanoda kuvakirwa ipapo kana zvaita vonogara vachirima. Saka vana vacho
vaitoseka vachiti hatiiti izvozvo kana vangopedza surprise yamudhara ndivo
vaiva next. Zvavo zvekurambira mukomboni muchimba chaiita kunge
uchambotanga wabuda panze kuti ugodzoka wovata nerimwe divi zvaifanira
kupera. Asi ini ndakangovatya pakukurudzira mwana wavo ku gadzirira
baba vake pekugara. Vamwe vana mai vanotoita brainwash vana
vachivaudza kuti baba venyu vakaipisisa vana vokura vasingaonani nababa
vavo uye hama dzavo dzeropa. Asi namai ava ndakavatya ini pakuti she was
doing her best kuona kuti mwana wavo aita fit into the family mune vamwe
veropa rake. Kutoti itirayi baba venyu ini mozongondivakira round neflat
kumunda kkkk. Dai vaiziva havo zvavakanga varongerwa nevakomana
vacho hameno. Taitombovanyeya nanamai Chichi tichitoti dai vangotorana
havo nababa vagarisana. She was so loving uye vakasununguka chose.
Namama vekuLundi zvainzwanana zvakanyanya. Naivowo baba vakanga
vashanduka chose vava kukodzera kunzi baba.

176 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Takaenda kumuchato hedu tikanofairwa neupenyu. Ko tisu taiva ma bestka.
Takanga tanzi tigozoita two days tichitaridzwa empire yababa Chichi uye
kuitwa handover hotel yedu yatakapembererwa nayo pamuchato. Asi
hazvina kuzoita sekudaro nekuti vanhu vakazodzoka vachimhanyira
maquads akanga ashamisa mumusha. Isu hedu tisu takazosarako asi vamwe
vose vakadzoka kumba. Takanoratidzwa hotel yedu iiii murume wangu
akadonhedza misodzi.

"Kutaura chokwadi mwana wamai vangu ndaifunga kuti yaingova pledge


yekuvhara vanhu pamchato. Ndosaka maiona ndingoita delay kuuya
kuzoiona. Handina kana mate ini. Mwari vakuropafadze shaa"

Vakanyararidzana pachavo ini ndakatadza kana kuti ndodini. We were now


proud owners of a five star hotel in south Africa. Pakaitwa handover takeover
at a small ceremony yakagadzirwa na baba namai Chichi. Takasangana
nekuzivana nevashandi vedu at a special dinner yatakaitira muHotel imomo
manheru. Management yacho takaisiya iri sezvairi baba Chichi ndivo vakatiti
tingotora zvakadaro. And mari yose yakapinda kubva paday remuchato
wedu yakanga iripo in millions kureva kuti vakatipa nemoyo wese.
Chakangochinja chete they now had a new CEO mr Dillan Mpofu taking over
from Mr Derrick Mpofu. Isu tisu takazoita mukana wekuona zvishandwa
zvemhuri iyi. We were so challenged zvekuti takazobvako tava nechitsvambe
chaicho. Takazoonesana hedu manheru edu ekupedzisira tiri mu south africa
kuti zvaitaridza sekuti tichapedzisira taita relocate to mzansi nekuti zvaiva
nema indicaters ekuti empire yedu ndiko kwaichanyanya kukurira. Asi isu
tose hedu moyo wedu waiva kune rukuvhute.

Takazodzoka zvikoro zvava kuvhurwa first week ya May. Kustand


kwamudhara mvura yakanga yavapo uye durawall rakanga raiswa. kuvaka
kwakaita kariki riki zvekuti pakapera May a beautiful double storey house
yakanga iine 12 rooms hanzi tikashanya tinofanira kuva comfortable
sezvatinoita tikaenda ku Lundi. Haaa ndakaona hangu mumwe munhu

177 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
achifenda chete ini. Iniwo namai Chichi takafuriranawo kutenga furniture for
the whole house.Yakasvika kubva ku SA a week before zuva re official
opening and handover ndikatsvaga vanhu vakanorongedza.
Chakagadziriswa chikwangwani chakanga chakanyorwa kuti

MR DANIEL MPOFU'S RESIDENCE

NO 12 SOUTHVIEW PARK

GWERU SOUTH

Chakaiswa pazi sliding gate chikavharwa nemucheka. On the day baba


vaingofungawo kuti vakanga vachingobatana nevamwe kuenda ku official
opening yemba yemwana wavo. Vakabatwa na Derrick kune rimwe divi
muningina wavo kune rimwe. Vakanga vakatogadzirira kuti kana pakaitika
zvinoitika vogamha hama yavo. Vakafunga kuti it was an honor kunzi
vavhure mucheka izvo vaitovhura imba yavo. Haaa imika munoziva munhu
anogona kungoita waya nemamwe ma surprise. Takaona munhu
kunyatsoswededza face kuita sevacharuma chikwangwani kuita semunhu
akanga ava short sighted. Akatsokotwa maziso kuita seachatushuka. Ko
kuzvirova mambama kumeso vaifunga kuti pamwe vairota. Vakatendeukira
kuvana vavo vakanga vamira vaka hen'ana vari vatatu. Vakadzungudza
musoro vachidzika kuda kugara pasi chaipo. Muningina wavo akavagamha
vakamira pakare.

"Simbai Mhofu, ndizvo zvamaitirwa nevana izvi."

Vakabata pahana pavo nemaoko maviri vachingodzungudza musoro wavo


vakaurereka zvaipisa tsitsi.

178 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Chiiko ichi nhai vakomana. I dont think I deserve this. "

Vachipedza kudaro yakapoya misodzi yavaimbunyikidza vakahwihwidza


chaiko. Ndakaona kuti bamkuru Reg na Dillana same whatsapp group.
Misodzi yavo yaiva padhuzesa zvekuti baba Chichi ndivo vakatozobatsirana
na dad kudzikamisa baba vakanga vavhiringika chaiko. Gate rakazovhurwa
vanhu vakapinda mukati tikatenderera tichiratidzwa kutanga panze
tikazopinda mukati tichiona ma rooms. Mhofu vakanga vava kunzwisa tsitsi
chaiko vangogara pasofa vakabata face yavo. Muningina wavo ndiye
akazovabata ruoko akaenda navo panze vakazodzoka after some minutes.
Vakangosvika vachimbundira vana vavo vese vari vatatu vakamboita nguva
vakadaro vakazobva vakanotumba pasi pakanga pakagara mama mai Reg
zvikanzi.....

179 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 15
Mhofu Snr

Ndakanga ndichifunga pose pandakava na mai Reg kubva musi wavasvika


pa party kuLundi Park. Havana kana zuva rimwechete haro ravakamboita
attitude kana zuva ravakambobvunza kuti sei ndakavaitira utsinye
ndikazovarasisa. Imi kana une mhosva munhu akarega kukubvunza kana
kutaura nezvazvo unozvikanga wega and hazviiti futi kuti ungobvotomoka
kuti "unoziva here iwe kuti ndakambokutadzira?"

Zvinodawoka kuti munhu akutange iwe wombozvi defender nhema wozoti


hako pava paya "sorry". Zvino ava mai ava ku torture munhu ndiko
kwavaigona manje.

Zvaitaurwa na Doug kuti titaurirane kuti tigarisane ndaimboita pandaida


kufunga nezvazvo asi umm ndichitangira pai nhai?Pandakanyebera kuvata
vachitaura nemwana wavo ndaifunga kuti pamwe vachataura kuti navowo
vanoda kudzokerana neni asi havana havo and hapana kana zuva
rimwechete ravakambondi actirawo kuratidza kuti vari kundida chero
kumborasika havo kutaura kwakarerekera ikoko kana. Saka yekuti vaifeela
guilty kuti ivo ndivo vakakonzeresa njodzi ndiyo yandakazongoona yaiita
kuti vaacte nice nice. Asi chandakaona pavari kwaiva kurevesa waitoona
vachikubatsira ipapo kuti she was not pretending. Nhumbi ndakaramba
kupfeka dzemuchipatara ini dzinenge dzaindiwedzera kurwara saka
ndaipfeka dzangu and ndikati pane zuva one zvaro randakawachirwa
nhumbi dzangu nevana kana kuti nemukadzi wemunin'ina wangu ndinenge
ndaita murevi wenhema chaiye. After visit ya10 paya vaitora nhumbi dzangu
vobuda nadzo pavaizooneka manheru vaiuya nadzo dzakawachwa
nekuchiswa zvakanaka dzichinhuwirira sta soft. Ndaishaya mabvunziro kuti
vaizviita nguvayi uye kupi. Chavasina kuita kundigezesa havo asi
ndaiisirwa mvura ndobatsirwa kuenda yotestiwa temperature ndosiiwa

180 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndichigeza hangu.

Ndakaita compare newandaiti mukadzi wangu wekuti chero paakandivhiya


vhiya mukati memaoko ndichizama kubvuta kitchen knife yaaida
kundivedzenga nayo haana kana kutevera kuchipatara pa 2days dzose
dzandakagaroko, pandakambovata 2 days zvakare muchitokisi ndamurova
haana kana kutsikako. Ndakaona kusiyana kwemoyo yevanhu chokwadi.
Mai Reg saved me kubva pakuti hama dzaizoti ndava kuvapa basa nekuda
kwehunhu hwangu. Asika ini pandakazotorana na auntie ava ndakanga
ndatochinja kare chaiko mazuva andatanga kuenda kumba kwaDerrick
kuJorburg mazuva akachata Dillan paya pandakauya nerori. Kunyenga
kwandakavaita ndaitodawo kuroorawo nemari shoma yandaiva nayo ndova
settled. Asi ndakazomboita sekuisa ma brakes ndaona hunhu hwake kuti
tinogona kusasvika kure tasiyana.

Kutaura chokwadi kubva patakabva kumba kwavaigara kuMvuma


ndakatanga kuva nedzimwe pfungwa ini. Maonero andakazviita ini vakanga
vachingozvigarira vega ava. Hapana kana chandakaona chairatidza kuti vane
wavari kufambidzana naye. Chero musi wandakanyepera kuvata ndakanga
ndichitarisira kuti vachamboti taureyi zve love life yavo asi havana
chavakambotaura nezvazvo saka kubva ipapo zvivindi zvakatanga kuita
zvichiuya mbichana mbichana ndaingoda kuwana mukana chete wekuva
navo pedu tega ndimbonzwawo pane pfungwa dzavo. Pane zvandakanga
ndichiona hangu kuti maitiro evanhu vazhinji kusanganisira nevana chaivo
vaizama chose kugadzira mukana wacho ndichizvishaisa basa asi apa
ndakanga ndava kutonzwawo hana yangu kuroverera wena. Kutovashuva
wena ndichitombofunga mazuva andaiswera ndichinzwa perfum yavo mu
hospital. Vagoti kugeza mai vacho vaitoitira svoto chaiko kwawaitoona kuti
iyi imvura yanyatsofamba paganda remunhu ikanzwira kwete kugeza
nemafuta zvatinoona vakadzi vazhinji vachiita.

Vanga vava mudzimai mukuru havo anokodzera kunzi gogo asi vaizvibata
zvakanaka kani. Makamboonepi munhu akazvara nekuyamwisa anoita
mikaka ine oder kudaro. Vaiva chiramba kusakara chaiye. Waitoti kuda
vachiri kuma early40s ka munhu akanga ava ne makore 53.

181 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Pfungwa yekutiza kunogara kuSouth Africa ndakabva ndairasira kure chaiko
nekuti ndakaona rudo rwaiva nehama dzangu. Munin'ina wangu
akanyatsonditaurira kuti you cant solve a problem by running away from it.
Ikoko unonosangana nezvimwe wofa uchingova we hwakumukwaku.
Ndakazvitarisa ndikaona kuti chaiva chokwadi. Derrick haana kuramba hake
pandakamuudza ndiri muchipatara kuti kana ndikapora ndoda
kumbosuduruka ndonogara kuSA. Asi mushure mekunge munin'ina wangu
ataura neni kuti ndicharamba ndiri munhu wekungotanga ndakabva
ndadzikama ndikamuudza Derrick kuti ndaiva ndoda kumboshingirira nechi
business changu ndione kuti handingararame here. Ndizvo hazvo kuti vana
vaimira neni vachindisapota asiwo ndainzwa kuti semurume ndaifanora
kuvawo nechangu chandinogona kunongedza kuti "ziya rangu iro" chero
chikava chidiki zvakadii. At that stage ndakatarisa ndikaona kuti chandinoti
changu chaicho chinobatika ndakanga ndisina. Pekugara chaipo yaiva
mombe yekuronzerwa yekutokama wakaringa nzira. Shop yacho chaiyo
ndairenta pa building yevamwe. Apa I was not getting any younger
ndaitochembera ini. Ndoshayawo kana chipeneti chekuti kana ndafa
vanhu vanogara pasi vodamburirana chokwadi. Iwo madhende iwayo
taimaverenga here kuti inhaka yandingasiirawo vana vazukuru? Nhumbi
haiwa ndaiita kuchinjanisa ko dzaiuyaka kubva kumativi mama enyika.
Pandaiva muchipatara dzandaiva nadzo dzakanga dzakurisa nekuda
kwekuonda mwana wangu doctor vakandivigira bag rizere nhumbi nyuwani.
Pandakabuda ndava kuKwekwe malaicha akatumwa ne goods reku
hardware aiva zvakare nerimwe suitcase rakanga rakazara kuti maku ne
nhumbi dzemhando yepamusoro twusiri tumitabvunda. Dai kwaiva kare
kwangu ndaigona kutochinja rutatu kana runa pazuva ndigoita futi mwedzi
ndisina kudzokorora. Ko ndaionererwazve ini mazuva angu asi mwana
wamai vangu achifamba akashama. Asi zvinoita Mwari chokwadi ndiye anga
ondichengeta.

Ndakafungisisa ndiri kuKwekwe ndaona kuti ndanyatsopora ndikati enough


is enough, pamazuva mashoma asara iwaya ekurarama i have to make the
best out of them. Kumira nemhuri yangu even if i have nothing to contribute
asi presence yangu panoungana mhuri mukafara nemukusuwa ndaiziva
kuti it meant a lot. Ndakazviona pakaitwa Christmas party yandakazopiswa
kusvika kwandakaita a day before kwakafadza, mwana wamai vangu aiva
ongoti akati gare gare oti "maita Mhofu maremekedza invitation yangu",

182 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"mandigonera mukoma mauya kuzonditsigira", "ndiko kunonzi kugona uku
mhofu handichadzungairi ndega ndega mukati mepwere kuita sekuti ndiri
kuita mahumbwe". Mashoko ake rimwe nerimwe raisvikoita meaning
rapinda muhana. Support hazvingorevi kuti unenge waburitsa mari chete asi
kuti advice chaiyo i contribution yakakura. Kungomira mira ndiripowo ipapo
nemwana wamai vangu ndichingonongedzera nongedzerawo ndaiona
zvichiisa mufaro pachiso pake. Anga ava kutombobvunzawo kuti, "saka apa
mati todii mukoma?" Ndobva ndasimudzawo mapendekete semunhu
mukuru abvunzwa ndotaurawo pfungwa dzangu.

Ukaita munhu kwaye munhuri chero kudiwa chaiko hauiti


zvekugombedzera vanhu kuti nhaimi ndideyi. Vana vangu vakanga vondida
zvekuti ndiri ndoga kuKwekwe ndaimbodonhedza misodzi. Ko ndakanga
ndichingoitaka sezihoromba regudo ndisina kana wekuita nyaya naye
manheru after work. Kwaiva kusurukirwa hako kwekushaya wekugara naye
asi mufaro ndakanga ndizere nawo pamoyo. Chaingorwadza chete
ndechekuti ndakanga ndisisina chandichagona kuti ndingaitira vana vangu.
Ndakatadza kuvatengera kana napukeni zvino vakanga vava madhara,
ndakatadza kuvapa pekugara zvino they had the best houses, ndakatadza
kuvadzidzisa asi vose zvavo vakadzidza kusvika kumusorosoro chaiko
kwedzidzo. Saka ndongoita sekuru vekungotamba nevazukuru chete here?

Vakamboita imwe weekend yavakauya kuKwekwe Dillan nemudzimai


wake nevazukuru Nyasha na Daphne, uye Reginald na tsano. Vakauya
Saturday manheru vakavata vakazomuka vachidzokera vaiti vanoda
kubata nguva dzekuenda kuchurch. Imba yemunin'ina wangu yandaigara
yakanga yakakura zvayo ma bedrooms ainyatsokwana munhu wese ari
comfortable. Ndipo pamwe pandaiona kuti chokwadi ini handina
chandinacho nekuti chero furniture ndakangopinda mumba irimo nekuti
ndipo paaigara mazuva pakambonetsana naChiedza. Akazongondisiira
mazuva avakagadzirisana. Mabedrooms ose aiva nemibhedha ari 4 saka
Dillan nemuroora vakawana bedroom ravo uye Regi natsano ravo uye
Nyasha rake. Nyasha paakanzi anovata ndakaona misodzi yajenga mumaziso
ake ndikaziva hangu zvaaitya. Vamwe vakafunga kuti kuda kungotyawo
kuvata ega asi ini naiye tisu taiziva zvaaitya. I felt bad ini ko papi nhai
paaizobvuma kuti mhepo dzainditeverera ndakanga ndadzikunda. Mai vake
ndivo vakazomutevera vakanoita nguva varimo vanaye vakazobuda.
Akazvikiira husiku hose apa room yake yakanga isina bathroom mukati.
Akatozoita zvekusvitsa mai vake makey kuseni nepawindow nekuti door

183 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
racho rainetsa kukiinura nemukati raitoda munhu akarijaira. Ndipo pamwe
pandaida kugadzirisa ipapo kuti muzukuru wangu asunungukewo zvaaiita
kuna sekuru vake veku Lundi park. Aigona kutosvika achigara pamakumbo
pasekuru vake ini aitotambira kure.

Stock yandakatumirwa na Derrick yakandisimudza chose zvekuti imwe shop


yema motor spares yandaida kuvhura ndakatoona zvichiita.
Ndakatotangawo kudzokedzana nyama kadumbu ne handsome zvikatanga
kudzoka pasina mazuva. Vana vangu vaifona zvese nemukwasha
nemwanasikana ku Canada kwavaiva. Kana ari sa Regi akakunda moyo
wangu. Aigona kungomuka makuseni oisa message yekungoti "dad".

Nguva zhinji ndaipindura misodzi ichidonha. Ndavawo kunzi dad neakabva


mugoba rangu chairo ahh kuita kwaMwari ndakakutya. Vakaona kuti
handingafi ndisina kuona kugona kwavo muupenyu hwangu. Ndaiona
upenyu hwangu huchiita chiremerera with each day that passed. Ndanga
ndava nemhuri yaindida uye madzisahwira.

Patakadzoka kumuchato Reg akandiudza kuti akanga ava kutanga kuvaka


imba yake. Akauyawo nema designs aaida kuti ndigomubatsira kusarudza
ndikaita sekudaro ndikafarira imwe yakanga yakada kufanana neyaigara
munin'ina wangu ku Lundi park.

"Dai kuri kuti ndini ndakazoivaka i would have opted for this one. "

Akazondiudza kuti iyoyo ndiyo yaakanga asarudzawo kuvaka yaiva ne 7


bedrooms guest room yechi 8, living room, dining ne kitchen uye bar.
Yakanga yakati kureyi mbichana pane yekuLundi. Handina kukwanisa
kusvikako hangu nekuda kwebasa asi ainditumira ma pictures e every stage.
Zviya zvekuti imba inoita seichadhirika isina kupera zvinongoitwa

184 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
nevanovaka nemari dzekushunyira sekuronga kwandakanga ndaita ini.
Ndaida kuunganidza mari ndotenga stand ndozounganidza imwe yekusvika
pa slab ndichingodaro and ndakanga ndakatopega pa 5 years chaipo
kuzoipedza. Asi ndakashamisika ne three weeks ndava kubvunzwa kuti
ndisarudze colour yepaint. Hanzi yamunoda imi ndiyo yandichaisa.
Ndakamusarudzira charcoal grey on the outside uye ivory in the inside.

"Zvino zimba rose iro ucharigara wega here mwanangu chiroora ugare
nemhuri."

"Ichatoti igarike dad. Kuroora ndicharoora zvangu manje manje"

Pakazoiswa zuva re official opening ndakaudzwa hangu pachine 2 weeks


kuti ndi adjust programme yangu. Ko ndakanga ndoshandazve zvekurevesa.
Ndaidawo kutenga mota yangu yekufambisa rori yongomirira kubasa.
Ndaida hangu isingadhuri asi yakanaka zvayo. Saka ndakagadzirisa
programme yanguwo kuti ndigobatanawo nevamwe pakufarira chinhu
chakanaka chakanga chaitwa nemwana. Chokwadi akanga aita fit into the
family zvaitaurwa namai vake. Mhuri yose hapana akanga achitamburira
pekugara ayewa. Ndaida kuenda nemalifts nekuti lorry yaiva nema
deliveries akawanda kubasa muningina wangu akati aiuya kuzonditora
neyake mota. Akaita sekudaro ndikasvika ndichiwana Derrik nemhuri yake
vasvika kuzovawo pachiitiko chakanaka ichi. Khumbu akanga achinzi
akaenda kuUganda asi mudzimai wake ndiye akanga achinzi mwana wake
mucheche haasi kunzwa zvakananaka. Vakomana vaitoti kana zveimba
zvadarika vaizoendako vonoona kuti zvakanga zvakadii.

Ndakatadza kuzvidzora ini ndikachema nezvandakaona mberi kwangu.

185 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Heya vana vangu vaitondikoshesawo kusvika pakadaro here? Ndakanga
ndisati ndapinda mukati asi kungoona ndiri kunze chete handina
kumbobvira ndarota hangu ndichizogara muimba yakadaro. Pandaida
kuitenga stand iyoyo ndaida kungovakisa something nice and simple izvi
zvekuzokwira ma steps ndichienda kunorara handina kumbozvirota ini.
Kurara same level nemapureti kwakanga kwakandikwanira. vakanga
vabatana vana vangu vakandivakisira imba. Bva makuriro ayo ndaizoigara
nani nhai? Zvakanditorera nguva kuzvigashira kuti zvakanga zvaitirwa ini
kusvika mwana wamai vangu anditora akanogara neni panze achitaura neni.

"Mhofu mukadai mava kuomesera vana. Munoti you dont deserve it saka
manga muchida kuti vaitire ani imi murimi baba vavo nhai musadaro Mhofu.
In other words muri kuti hamuna kusungunuka kuvapa your fatherly
blessingka? Vana vaita nemoyo wese vachiti vari kuitira baba vavo imi moti
you dont deserve it saka moda kuti vaitire ani."

"Kungoti hausi mutsoka dzangu chete mwana wamai vangu. Zvakangooma


hazvo ndiko kunonzi kuveserwa mazimbe mumusoro uku unozvitongesa
wega. Handina kumbenge ndakatarisira zvakadai ini."

"Ndizvo zviripo. Ndiyo chaiyo imba inofanira kugarwa na baba va doctor


uye baba vema businessman. Moda kuti vanyare kuuya nema colleagues avo
nekuti munogara mumukoto here?"

Takazomboitarisa zvakanaka tiri panze ummm yakanga yakanakisa veduwee.


Malights akanga abatidzwa ose neemugarden uye kupool hayewa ndakapa
kutenda.

186 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
""Bvaa ini ndanga ndichinetseka nekugara mu7 rooms kuKwekwe ndiri
ndoga iyi ndichaigona here? The house is too big."

"Kkk haa Mhofu motoona zvekuita. Maiguru vari pano avo take advantage of
this emotional moment motoswedera pedyo nemunhu. Handingakuudzirii
zvekuita nekuti pa area iyoyo ndotoziva kuti hakuna mhofu dofo
ndingatotangira kuriona pamuri. Mukatsvedzesa ipapa matozviruza uyo
ndiye mudzimai mukoma wangu. Ini Mwari vakandipa chipo chekuona
zvakanaka. Mudzimai waDillan ndakamuona ne first day paakasvika achibva
kumusha ndikatomuudza mukomana kuti uyu ndiye mukadzi chaiye
ukakuta ipapa waruza. Saka itai plan mukoma. Kana mari isipo ndokupai ini
monoroora mogara muchichengeta vazukuru. Imi mungati maiguru
vangakurudzira mwana kukuvakirai imba ivo vachigara muchinyede
chamakaona chiya here? Imi mhofu ndini makutononokera zvinhu tiitireiwo
zvinofamba kwangova kuzadzikisa chirevo apa pakatoibva kare"

Takazopinda mumba ndava kunzwa zviri nani asi ndakanga


ndichakabatikana. Ndakangonanga pasofa rakanga rakagara mai va Reginald
ndikanozvininipisa patsoka dzavo.

"Handina mashoko ekukutendai nawo mhai. Ushingi hwe....."

Maurukiro avakaita akandivhundutsa vachinomira padivi

187 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Kwete museyamwa musadaro ndapota. Hamungagwadamiri ini ayewa
musandidaro. Ndinokumbirawo musimuke chero makamira ndinonzwa
hamungandigwadamire please."

Ndakarambira pamabvi ini I felt that was the best position to express how I
felt inside. Vakatozopedzisira vadzikawo navo vakagwadama pasi pandaiva.
It was an emotional moment zvechokwadi handina kukwanisa kusimudza
musoro asi kukwiridzirwa kwemadzihwa ndiko kwakangondiudza kuti
handisirini ndega ndakabatwa nechiitiko ichi.

"Ndinotoshaya mashoko akakodzera kukutendai nawo mhai. Ushingi


hwenyu hauna vakawanda. Makashingirira kupona vana vemunhu
akakurwadzisai zvakaoma asi nhasi tiri pano nekuda kweushingi hwenyu.
Ushingi hwenyu ndiho hwatisvitsa pano nhasi Hapana chaikutadzisai
kungomonyorora kana kukanda mublair toilet asi hamuna kudaro.
Ndinoziva zvakanga zvakaoma kuti makatadza kuita zvamaida muupenyu,
mukatambura nepamuviri musina support, mukaita decision yakaoma
yekuronza mwana nekuda kwesituation, mukachema mumwe mwana
muchingova mega pasina kana anokunyaradzai, mukararama upenyu
hwekudzungaira nekudzembereka nenyika asi nhasi ushingi hwenyu
hwatisvitsa pano, neniwo chokwadi ndisina kana effort yandakaita wo here."

Ndakambodzipwa neshungu mashoko akarambira pahuro.

"Muri kuchionawo here chandakaita to deserve all this? Ndibatsireiwo mhai


mundionese kana chiripo ini handichioni. Kana paine munhu one
akakodzerwa nenyasha idzi ndimi mhai kwete ini. Handina hangu
kukodzera...."

188 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Museyamwa musadaro please."

Vakatambanudza maoko avo vakandibata asi vakakurumidza kudzosa


maoko avo hameno zvakanga vafunga. Takacheukirana nguva imwechete
wanei mumba hamuchina kana munhu asi mazwi ainzwikwa panze.

"Makaita basa guru rekuisa vana ivava panyika and vanoda kuropafadza
kwenyu. Chero mubhaibheri chaimo pane pamakambonzwa here kuti mai
vakaropafadza vana? Ini kana mwana wangu akaropafadzwa neniwo
kwangu zvabhadhara. Ndiri kutofarawo kutivana vagona kuyanana nababa
vavo. Chero zvodii handikwanisi kuti ndimutsvagire vamwe baba. Ndimi
chikonzero Reginald ari pano uyu saka pamusiri kukodzera ndepapi.
Zvakaitika pakati pngu nemi hazvinei nemwana. Chandinongoda ndechekuti
mwana abatane nemhuri yake uye kuti ave nemi baba vake. Ini
ndinototendawo Mwari kuti agona kusangana nemi muchiri vapenyu pane
kuti rimwe gore aizongoratidzwa kuti apa ndipo pakavigwa baba vako asina
kumbowana mukana wekuvaona kana kumbotaurawo navo. Anokudai
zvakanyanya museyamwa saka mukamurambira munenge marwadzisa
mwana. Mune rombo rakanaka henyu kuti munowana vanoti dad tokudai
zvisineyi kuti ukama hwenyu hwekumashure hwakamira seyi. Tenderai vana
vakuitireyi madanha kana vachikwanisa. Vakomana vakabatsirana kuvaka
imba varoora venyu vari vaviri vakakushongedzerai imba yose kudai chero
varume vavo vanga vasingazivi. Munoda kudiwa kwakadii nhai?"

"Ko imi mai Reg?"

189 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Ini kudii nhai museyamwa? Ini chimbondisiyayi kunze nekuti nhasi
ndezvenyu. Kana zvava kwanguwo muchapembererawo saizvozvi. "

"Eish moyo wenyu ndautya mhai. Handina hangu mashoko ndapererwa.


Ndinogashira zvandaitirwa nevana asi on one condition."

"Zvadiizve ko maconditions ava eyizve zvamanga magona wani.


Macondition amunoisira ini here kana kuti vana? Ndeyeyi condition yacho?"

Takanga taita kugara tose pa floor chaipo. Ndakabata maoko avo ose.
Semunhu akanga atova nepfungwa dzake netumwe tuma imagination
twandakambosiita twe day dreaming kungobata chete kwandakaita maoko
avo ropa rakaita over speeding. Ko ndanga ndichiri mupenyu nhaimi.
Ndakataura neizwi rakashoshomera. Ndakanga ndisingazviitisi asi kuti
hameno zvoiitika.

"Ndichagara mumba muno kana chete muchizogara neni"

"Hezvo! Ko zvobvepizve izvozvo nhai?"

"Ndiri kurevesa mai Regi. Kana musingazogari neni pano ichagara hayo

190 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
yakadaro imba yacho"

"Makuda ku complecator zvinhu museyamwa. Chiri kukutadzosayi


kungogashira kuti vana vakugadzirirai pekugara chiiko nhai? Ini wamava
kuda kujoinidza ndadii? Imba ndeyenyu iyi kana musingaidi movaudza
vana."

"Ok"

Vakanga vava kuratidza sevagumbuka ndikaona kuti regai ndimbosiya


nyaya yacho. Handina zvimwe zvandakazotaura ndakangosimuka ndava
kufamba kubuda panze paiva nevamwe.

"Baba Regi"

Ndakacheuka ndikawana vakangogara paya. Ndakadzokera ndikanenekedza


ruoko kuti ndivabatsire kusimuka vakaviga maoko kumusana.

" Sorii museyamwa kana ndaresva kutaura."

191 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Its ok mai Regi chisimukai tiende pane vamwe nguva yareba"

"On one condition"

"Hamusimi matanga kuramba zvema condition here nhai vasikana"

"Ndokumbirawo mugashire imba yenyu zvimwe zvozoonekwa. Please itirai


vana vafare."

Ndakasekerera nechemumoyo ko uyu waitova mumwe mukana wandakanga


ndapiwaka wekuzotaura nyaya yangu nemazvo. Kkkk ahh hanzi gashirayi
imba zvimwe zvozoonekwa. Ndakanyepera hangu kufamba ndikanzwa
ndabatwa shirt nekumashure.

"Museyamwa musadaro veduwee"

Ummm voice racho raiva nekakunyengerera mukati ndakabva ndatendeuka


ndichida kuona face yacho.

" On one condition"

192 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"futizve here nhai vakomana."

"Yes. After this ndinokumbirawo mukana wekuti timbotaura."

"Ok ndazvinzwa."

Vakazopinda mubathroom ini ndikatungamira panze. Ndakaona hangu kuti


yaiva way yekuti tisvike pane vanhu takasiyana. Ndakaenda paiva namhofu
vadiki vakagara pama garden chairs vaina Murehwa, nava Muzambi.
madzimai aiva pawo pakanga pakaiswa table vachicheka cheka hameno
zvavaigadzira ipapo. Vakomana na tsano wavo vakanga vachigocha nyama
yainhuwirira. Akanga asipo apa ndimainini vangu vakanga vasara nekuti
vana vakanga vachiri vadiki. Gogo Muzambi vakanga vachinzi vakaenda
kuChiredzi kwairoorwa mwana wehanzvadzi yavo. Takadya hedu tichinwa
madrinks tichiita nyaya. Kakatoita kamutambo kakanakidza pasina vanodira
vamwe mafuta. Vanhu vose vakarara pamusha pangu mabedrooms
ainyatsokwana. Reg natsano vake vakanga vasingasiyani vakavata vose. Ini
ndakavata naMurehwa Mhofu jnr vakapa excuse vakadzokera kumba hanzi
vana vanogona kunetsa husiku mainini venyu vari voga. Muzambi akatiwo
mbuya va jnr vaiva munzira vanosvika usiku ihoho kubva kuChiredzi saka
akadzokera. Mbuya va Nyasha vakavata naNyasha nemusikana wekwana
Dillan vakomana nemadzimai avo vakawanawo mabedrooms avo. Regi
natsano wake vakamboti budei vakadzoka vachiratidza kuti vakanga
vambodzvuta. Ndofunga vakaona kuti havanganwiri pavanhu.Takanonoka
kuvata tichiita nyaya naMurehwa takanga tonyatsonzwanana kubva pataiva
ku south africa kumuchato wemukomana. Vakambenge vandiudzawo
experience yavo yakanga yakangoda kufanana neyangu.

193 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Sahwira ndidzo nyasha idzi sahwira dzatakawanirwa na Mwari. Iwe
wakatogonerwa chitotenda Mwari kuti chirwere hauna sezvandava ini. Asi
this is the chance to make our children proud despite kuti takura."

Takamboita nguva yekutaura zvima projects zvedu zvataida kuita naivowo


vachindiudza zvaiva mupfungwa dzavo. Vainyatsoonekwa kuti he was very
intelligent asi kungoti misikanzwa ndiyo yakazovatsausa kusvika vaita
serombe. Vakamuka runyanhiriri vachienda kwavo kuRiverside vaiti huku
dzavo hadzina anozotarisa.

Vanhu vakapararira havo after breakfast mai vepamusha vakaita make sure
kuti zvinhu zvose zvasiiwa zviine order hanzi hapana anozosara achiita.
Takanga tangosara ini namai Reg, Dillan nemhuri yake uye uye Derrick
nemhuri yake. Mota dzakanga dzangosara nhatu chete. Regi akandipa yake
iye akapinda mune yaDillan tsano vakapinda mune ya Derrick.

"Dad chitorayi yangu iyi mugobva maperekedza mama vati vanodzokera


nhasi kuMvuma. Mozondivigira ndiyo yandinoendesa kubasa mangwana"

Ndakaona kupererwa pachiso chamai vake ini ndakaita sendichajamba


mukana uya wanga wazomuka zvino. Mai Reg kubva mazuva emuchato
vakanga vasati vadzokera kwavo saka vaiti vana vakura uye mai vavo
vasimba. Maid vakanga vava naye akatumirwa natete vavo kubva kuBhuhera.
Zvana zvemuningina wangu zvanga zvatokura zva ne 2 months zvigoti
zvaiyevedza waizomboziva kuti ndizvo zvaiita kunge tumakonzo musi

194 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
watwakazvarwa. Chakambonetsa i opp yamai vacho ndiyo yakanonoka
kupora asi Friday yatamuka tiri pamutambo vakanga venda ku review
vakanzi zvose zvava right. Saka mai Reg vakanga vava kudzokera kumba
kwavo. Ndipoka painzi na Mhofu vana vanozonetsa husiku madam vari voga.
Kkkk ah kwaingova kutaura pachikuru uku munhu anga anzwa nenhomba
handiti nguva yose mainini vaivata namai Reg muguest room nevana.
Makanga muri mu nursery chaimo ma cotbed 4 akaita mudhadhadha. Ivo
mainini vangu vanga vatodzikira zvinenge zvairema zvekuyamwisa vanhu 4.
Hanzvadzi dzacho nasis vacho vakanga vapiwa mukana wekupa vana mazita
akaita makwikwi kani.

Regi-Dennise

Dillan-Delsie

Derrick-Doreen

Daphne-Dorothy

Idzo mari dzakabviswa dzekupfumbidza mazita kwaiva kumakwishu. Ko


kuzonzi baba namai vevana hapana chavaifanira kuita pavana mumwe
nemumwe aizova responsible newake waakatumidza zita. Haaa saka aizova
makwikwi nekuti hapana aizoda kukundwa. Mukwasha ndiye
akazovapedzera hanzi ndini muridzi wemadzimai saka ma second names
ndichatumidza ndega. Anga asati auya mazita acho asi mari
yakahwerengedzwa yose yakabviswa nanatsano nasis vevanhu mukwasha
akabvisa times 2. Ivo vakanga vati vaizouya muna August just for a week
kuzongoona vana chete vodzokera.

Vamwe vose havana kumbosvikomira Derrik nemhuri yake vakangooneka


vakapinda pa road vainovatira ku Harare vomuka vachidzokera ku Joburg.
Vaichema nerokuti Doug jnr akanga asra na maid saka aigona kuzonetsa.
Vakanga vamusiya vaitya kuti aigona kuzochemera kusara ivo mai vake
vakanga vasati vasimba. Dillan akangonangawo kwake nemhuri yake.
Takazoswera mai Reg vava kudzidzisa mainini vavo kugadzira mukaka

195 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
wevana nekuvapa porridge kekutanga.

"Pakaita problem mainini musarega kufona ndinouya. Pamwe vana


vanogona kutadza kupindirana ne formula voita mudumbu."

Takazosimuka kuma past 5 nebenz yemukomana yaakasiirwa nemukwasha.


6 taisvika pa komboni apa mongoizivawo winter kwakanga kwatosviba.
Ndakabatsira kusimudza ma bag mamwe avakanga vasingatombozivi kuti
aiva neyi vakamgopiwa namainini vavo akavharwa, a suitcase mahombe
maviri. Paiva zvakare ne dinner set iyi yaionekwa yakanga yakanyorwa.

Vakabatidza ma lights tikapinda mumba. Ndakabva ndangoparura nyaya


yangu ndichitanga nekuvayeuchidza kuti vakanga vati vachandipa mukana
wekutaura nyaya yangu.

"Ko tikazotaura imwe nguva now handiti muri kuda kudzokera here"

"Ko ndiri kufamba netsoka here nhai veduwee. Plus hamuna kumbotaura
zvekubikira vaenzi tea mava kutovadzinga."

Ndakaona kunyaririra munhu achitendeka pa couch kuti ndigare.


Ndakatorerwa chiblanket kuti ndifuge makumbo ko kwaitonhoraka.
Ndakabvunzwa kuti ndaida kudyeyi ndikataura riri sadza chairo. Haa
paizoibva usavi sadza rigokwata vagorimona nyaya yangu taizenge tataura
tikanzwanana chete. Chero pakati pehusiku ndaibva hangu ndava
nemhinduro.

196 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Mai Reg ndanga ndichirevesa kuti ngatinogara tose kumba yavakwa nevana.
It might sound strange asi kutaura chokwadi ndanga ndichingozvifungisisa.
Ndinoziva makore akawanda and zvakawandawo zvakaitika muupenyu
hwedu pakati apa. Asi chikumbiro changu ndechekuti lets give it a try. Im
prepared kunokubvisirai pfuma tova tose zvakare. Please mai Reg"

"Mune mukadzi museyamwa saka kusungwa kwaaita kwabva


kwakurambanisayi here. Handidi kuita zvinhu zvinozondipa bp
ndachembera. Paanodzoka moita carry on ndosarazve ndakakuvara moyo
evooo ndiregei zvangu.Itai moyo murefu vanodzoka vadzimai kupisana uko
yaiva mistake plus sign yekuti munodikwa"

Ndakatora nguva kuvatsanangurira relationship yangu hapana chandakasiya.


Ndakafunga mashoko emwana wamai vangu kuti ndakatpdiwa kare
zvaingoda ini kusvitsa shoko chete.

"Asi aripo here mumwe mhai pamwe ndiri kungopedza hangu nguva
yangu."

"Hapana hapo aripo and hapana akambovapo. Ndaiiwanepi nguva yekuita


zvemarelationship ini ndaingova wekungodzembereka. Ndakanga
ndakakuvara pamoyo zvekuti ndaisambofunga kuti ndichapora."

197 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Ndiregerereiwo veduwee ndinobvuma kuti ndakatadza."

"kutaura chokwadi ndakanga ndiine bundu pamoyo kwemakore ose 36 asi


pandakangoona mwana wangu chigumbu chacho hachichipo. Handichina
mhosva nemi ini plus im also to blame nezvakaitika. Its not kuti
makandimanikidza kana kuti makandibhinya. Ini ndaifanorawo kuzviramba i
was 18 ndasiyana na mai Dillan vaiva mwanana."

"Asi hazvindichenese izvozvo mai Reg. Ndakatadza asi ndavawo munhu


ashanduka.Ndipeiwo mumwe mukana mhai."

Takaweshana kusvika tapedza kudya dzamare 12 yachaya. Vakatozoona kuti


hakuna kwandaienda ini vakapedzisira vaita give in.

"Ndazvinzwa museyamwa ngatimbozamai tione kuti zvinobuda here kana


zvaramba tosiyana nazvo. "

"Thanx mhai ndini munhu wamafadza. Ndinokuvimbisai kuti patakasiira


kare ikako ndipo pandichanotangira nemi and you wont regret this decision.
Ndichanobvisa pfuma yangu yakakwana kumba kwenyu asi from here tiri
kuenda kumba kwedu tose kwatakagadzirirwa nevana. Hazvichabvira
mudiwa kuti ubve mumaziso angu handidi hangu ndinotorerwa."

198 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Speed ndeyeyi nhai museyamwa hakuna kwandinoenda ini. Moti dai ndaiva
nepfungwa idzodzo makandiwana ndichipo here."

"Ummm haa kana mai mwana ndigadzirireiwo henyu pekuvata. Mangwana


ndiri kuenda nemi kuKwekwe hamuchasari pano. Vanhu tichavazivisa
ndiinewe mukadzi wangu ko tichiri vanana here."

"Ko mota yemwana nhai asimbisisa kuti ndiyo yaanoendesa kubasa."

"ko kwaanogara kune munda wemota uko kana achida kuenda kubasa
anoenda."

Vakapererwa mai mwana ndikaona vagumbata maoko. Vakazopinda mu


bedroom mavo vakabuda nema gumbeze maviri vakaisa pacouch"

"Huyai ndikuratidzeyi pekuvata."

Ndakashaya kuti saka pasofa paivata ani. Ndakatevera ndikavhurirwa


magumbeze.

199 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Kana mukanzwa chando mamwe aripo pamusoro pe monach ayo
munowedzera. Morara zvakanaka. Matoilets acho chinhambwe plus hakusi
safe kuenda husiku."

"Ko imi munodii?"

"Handimuki husiku ini ndofunga inyaya yekutya. Asi kana zvikaomesesa


ndoshandisa bucket ini. Movata mushe ndakuvara nehope."

Ndakabata ruoko munhu shuwa kuda kungobuda here just like that ndisina
kumbopiwa kiss zvayo. Iko ndanga ndichaigona here nguva yanga yareba
hameno....

200 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 16
Mai Regi

Kugara kwandakaita pa Savvana ndakanga ndazviudza kuti hakuchina


kumwe kwandichaenda ndiyo yaiva final destination yangu. Ndanga ndaneta
nekukungodzembereka ndisina zororo. Ndaiva munhu ane kuvava pamoyo
nekuda kwezvakanga zvaitika kwandiri. Chakazonyanya kundirwadza
kushaika kwakaita Richard wandaiva ndakatotarisawo kuti achandichengeta.
Sareyi ndava pazero chaipo. Saka pandakaona pa komboni pachigarika
ndakangoti ko ndikazvigarira hangu paimba yemahara. Semunhu aingoita
kunge mubushman kuti pano ndagara ndabva pano ndagara ndabva
ndakanga ndisina hangu zvinhu zvinobatika,zvandaiva nazvo. Asi makore
ose andagara handina kumbobvira ndarasa hunhu kana kufunga kuita
chipfambi. Chero kumakorokoza kwandakambotengesa ndiri kwaiitwa
chipfambi chaicho asi ini vaitoziva kuti mai Richard havaite zvisina basa.
Ndaiva mwana mudiki chaizvo asi ndakangozviudza kuti ndikapiwa
mumwe mwana ndaizozvigona here. Ndakambopotsa ndawira pana vamwe
Gold buyer ndikatombovada kwemazuva. Luck randakaita musi wataonana
vakanga vava kutodzokera saka taingotaura pafoni chete ndipo
pandakavadira ndikapromiswa kuti pavaiuya ndaizotorwa ndonotsvagorwa
pekugara pakanaka kuKwekwe. Ndakatozoziva kuti ndaiitiswa
pandakazofonerwa nemukadzi wacho abata ma msg mufon plus iye aigara
kuKadoma. KuKwekwe kwaitova kuda kunovigwa uko kure na madam.
Saka ini nguva yangu zhinji yakanga yava yekutsvaga mari kuti ndirarame.
Ndakadzidza zvakawanda chose nekuda kwenhamo. Apa ndanga ndava
kuita hangu zvekubika cobra ndichitengesera madzimai emakomboni ose ari
maviri kuti komboni yataigara kozoti yekumusoro kuma ostrich. Ko
madzimai acho aiita makwikwi ekupenyesa zvinyede zvavoka. Ndaitengesa
zvakare mapiritsi efamily planning uye macondom echikadzi neechirume.
Pahunhu hwemukomboni chandaiziva chaivamo umu makuhwa nekutukana

201 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
uye kurwa. Haiwa izvo yaiva order of the day. Asi chipfambi chaiva
chishoma hacho kana kuti regai nditi makanga musina chipfambi nekuti
handina wandakaona. Kana varipo vaiita kuda vainoitira kunze.
Ndofungawo yaiva nyaya yekuti madzimai ndiwo akanga akawanda.
Ndosaka kumarana nemakuhwa zvakanga zvakawandawo. Asi zvose
ndakagona kuzvikunda nekuti I kept myself busy ndichiita zvekutsvaga mari.
Asiwo madzimai emo akanga asingangongwariri kushaina dzimba chete.
Vaigezawo uye kupoda waionerera. Kuita sekuti pane aiuya achivadzidzisa
kuita make up.

Rimwe zuva ndichibva kunotengesa cobra yangu pa road ndakaona zvipepa


zvakanga zvakanamirwa kuti paizoita crusade kwe vhiki yose. Yakaitwa
zveshuwa paopen space yaiva pedyo nepamba pangu. Kubva Monday
kusvika Friday ndaingonzwa ndiri mumba mangu. Shoko reFriday rakapisa
mweya wangu ndakatanga ndiri mumba ndikabuda ndikagara pa bucket
panze pedzisire ndasvika pachaunga. Vazhinji ipapo zvaiva zvanana
nevakuru vasingadariki 20. Ndini ndakaita wekutanga pakanzi vanoda
kugashira Jesu. Ndakararama makore akawanda ndichingogunun'una
ndichirwadziwa pamoyo asi pakaparidzwa shoko rekuti "let go" ndakavata
husiku ihoho ndarerukirwa. Handina kuzombodzokera shure kubva ipapo
ndakatendeuka nemamwe madzimai 6 uye vakomana vaviri nevasikana 4.
Vana baba zvagara havangotoreki zvekumhanya. Mufundisi ivavo vainzi
Pastor Nyakamunda vaibva ku Gweru every Sunday vachizopinza service.
Vaiuya nemamwe maelders maviri achichinjana every sunday vaiperekedza
Mufundisi. Ndainzwa kunonokerwa nemusi wesvondo nekuti zvaiita sekuti
shoko rogaroga rairapa moyo wangu wakanga wakaputsika. Pane nziyo
yandakatanga kunzwa pacrusade yakanga yongounga mumoyo mangu chero
ndivete yekuti

Hakuna hama kupinda Jesu

Hakuna hakuchina

Hakuna mumwe kupinda kupinda Jesu

Hakuna hakuchina

202 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Jesu ndiye shamwari yedu

Anonyatsa kutunyatsa kutungamira

Hakuna mumwe kupinda Jesu

Hakuna hakuchina

Ndainyanya kubatwa nepekuti:

Hakuna mumwe kurapa moyo

Hakuna hakuchina

Ndaishaya kuti ndovatenda neyi chaizvo neshoko renguva muupenyu


hwangu zvekuti mukushaya kwangu imomo ndaizvipira kuti mushure
meshumiro yoga yoga ndaibika zvishoma zvandaiva nazvo kuti vanenge
vabva kuGweru vadzokere vabata ura. Paitovawo nevaiva nazvo
zvakawanda ko paigara maticha epa Savvana primary school, nemamwe
ma civil servants vaishandira muMvuma town asi hapana aimbofungawo
kuti kuGweru kwabviwa kuchi kuseni saka panodawo zvekungoti vawane
simba rekudzokera. Ndinoona zvakandizarurira maropafadzo chaiwo nekuti
ndaiita zvichibva pamoyo. Kwaingova kushaya hako asi ndaitozvinzwa
mandiri kuti handina kana kuwomera. Zvishoma zvandaiwana ndaitonzwa
kuti dai ndawana wandagoverana naye and ndaitonzwa kamufaro mandiri
ndisingambogunun'uni kuti saka zvimwe ndichazvowanepi. Saka chero
ipapa ndaisambozvitarisa kuti zvandapa vanhu vaMwari ini ndichazodii.
Ndorangarira rimwe zuva randakabika tu rice 1 cup yaiva mumba ndashaya
kuti zvino vanhu vakajaira kuti kana service yapera ndinovabikira
ndovaudza sei kuti nhasi hapana zviripo. Ndakazongorovera moyo padombo
ndikati "Mwari hamungazombondiregi ndichifira kutsi kwehope nenzara
nekuti ndaitira varanda venyu. Kana ndichizovatira mvura muchaiita kuti
indigutse ndimi"

Sezvandambotaura kuti mufundisi vane vanhu vavaipiwa vaiwanzouya as


couples vaivaperekedza every Sunday. Saka musi iwoyo couple yavakauya

203 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
nayo kakanga kasiri kekutanga kuuya kuSavvana. Vakambenge vauya panga
padarika kuda 2 months. Vakadya rice iya nemazai ndakashaya kanyama
kekuvapa. Ini ndakatoita kunge munhu akatsanya nekuti yangu plate
yakaramba kubuda. Ivo vanenge vakazviona saka vakadya havo havana
kumbobvunza kuti ko nemhaka yei ndakanga ndisingadyi sezvandaisiita
mazuva ose kudya navo. Mufundisi ndivo vakazowanza havo vapedza
kudya hanzi "mama ndaona kuti ndikataura mungazodheerera ini mukati
tidye tose muplate mangu ndikazosara ndisina kuguta." Takaseka hedu ko
ndakanga ndava pedyo pedyo nemunhu waMwari asi hazvina kubvisa
respect yangu kwavari. Ko vairatidza kuti vangangoita mazera mamwechete
nevana vangu saka mushure mekushaika kwakaita Richard ndakabva
ndazviudza kuti ndava childless. Reginald ndaimufunga hangu asi hapana
chandakanga ndichagona kuita nekuti akanga asisiri wangu and maitikiro
azvakaita zvairatidza kuti murungu akamutora akanga asingatombodi kuti
ndizive kana kuteverera kuti zvikazodii nekuti handina kutomboziva kuti
vakanogarepi naye uye havana kana zuva rimwe ravakambo communicater
kana kungotumirawo havo picture yekuti ndione mwana. Handiti chero birth
certificate vakaenda vatomutoresa nezita ravo. Saka Pastor ava ndaitovaona
semwana wangu chaiye. Vakanga vasina kuroora zvavo asi vaiva naye
musikana wavaimbopota vachiuya naye. Handina hangu chandakashora
paari handiti ndakanga ndatoita moyo wamai here wekuti kana mwana
atanga kunyenga unomboita uchivheta zvisikana zvinenge zvofambidzanwa
nazvo uchionawo kuti zvakakodzera here. Kunyangwe usingazogoni hako
kumusarudzira wekuti aroore asi izvozvo zviri normal.

Vakazoti vava kuoneka couple iya yakaburutsa zvinhu mumota ahhh imi
ndakashama muromo kuti zvichiri zvatengerwa munhu mumwechete here
kana kuti yaiva donation yaienda kukomboni yose. Vakandisiya ndakaoma
mate kani ndasiirwa grocery raizondichovha mwedzi nemwedzi asi
dambudziko raingova pakugova hameno kuti chii. Cobra yandaibika chaiyo
ndaigona kuti ndikaona customer yangu yagarisa isina kuuya kuzotenga
ndaierekana ndaisa chigaba muplastic ndomuvigira. Ndizvo zvandaiva. Asi
chandakadzidza zuva iri ndechekuti kana ukatandavadza nemoyo unorevesa
Mwari havadye chemunhu mahara. Ndakatengerwa grocery rose zvaro
kusvika ndatengerwa nema toothpick netissue chairo.

Ndakatozoseka hangu manheru na mufundisi vava kundiwanzira hanzi


"mama paya pamarega kudya ndazviziva kuti pakaipa. Asi maita mukadzi
mushuneni mashumira munhu waMwari mukazozadza makate nemakate

204 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
emafuta kutoshaya pekuisa."

Zvaitaurirwa mukuseka asi chaitova chokwadi kuti ndakapa zvakaoma


Mwari havana kunyarara.

Manje wangu mwana mufundisi hanzi "Mama kungoti handina kuziva kuti
mumota manga makanuna kudaro dai ndazviziva ndati mugare mapiwa
zvinhu zvenyu kuseni nekuti ka rice kenyu hapana kwakambosvika kaperera
mumazino chaimo. Apa ma tomato sauce nema salad zvozubuda tapedza
kusvosva moyo."

Aiva majokes zvawo ndizvo zvavaiva pastor vakanga vakasununguka


zvekuti ndakatozogonawo kusheya navo zvaidya moyo wangu. Ndakanga
ndisina kumbowana nguva yekuvaudza zveupenyu hwangu kunyangwe
mukomboni imomo hapana wandakanga ndambotaura naye. Vaingondiziva
samai Richard ve cobra asi hapana akambozvitsvaga kuti Richard wacho aripi.
Pastor ndivo vakatozobvunza rimwe zuva kuti vanongonzwa kuti mai
Richard asi havasati vamboona Richard wacho kana baba Richard kana
varipo. Chakaita vazobvunza zvaRichard inyaya yephone call yandakanga
ndatambira kubva kune umwe mwana wababa Richard aiti aida kuuya
kuzondiona. Chokwadi akanga akafanana naRichard wangu chaiye
ndakatombobatikana. Ndakavaudza nezva Dillan Mpofu ndikatovaratidza
ma pictures ake vakatondiudzawo kuti vaimufananidza na manager webank
ravaishandisa. Ndipo pandakazotora mukana iwoyo to share with him my
sad story. Ndakashamisika vachiti Reginald anogona kuwanikwa kana chete
ari mupenyu. Handina kuzvitora hangu serious nekuti pa technology
ndakanga ndakati sareyi hangu handina kumbowana nguva yekutevererana
nazvo.

Ndakatozoshamisika rimwe zuva vachitotaura vachiseka hanzi "mama


ndava ne new facebook friend anonzi Reginald Jameson Smith. He is a doctor
anogara kuCyprus."

Ndakambofunga kuti semunhu wekufara pamwe vari kungojokawo namai


vavo asi ndakazoona ndotumirwa ma pictures wane zvaari dublicate ya
Richard kunyangwe na Dillan wandakanga ndangoona pa video call.
Ndakapiwa phone number asi ndakabatwa nekutya kukuru kuti ndinotanga
kutaura naye ndichiti kudii. Pfungwa dzangu dzakamhanyira kuti pamwe

205 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
aitova ne bitterness yekuti ndakamutengesa nekutya responsibility.
Aizozvinzwisisa here kuti ndakazviitireyi. Ko kana aizondibvunza kuti
nemhaka yei ndakasarudza kutengesa iye ndaiti kudii. Ndakafeela bad
zvandisina kumbobvira ndakaita mazuva ose andakanga ndisina kuziva kuti
ariko mupenyu. Akazofona iye ndikatombotya kudaira phone akadzimara
aneta. Pastor ndakavaudza kuti ndaitotya kutaura naye vakandipa mashoko
eshingiso vakati vakanga vatotaura naye kare and all was well. Akazoita
zvekuisa message

"Mommy please answer my calls. I cant wait to hear your voice please."

Kungonzi "mommy" koga kwakandipa kushinga. Ndaifunga kuti


ndichazongosvika pakufa ndichinzi mommy nevana vevamwe. Paakaona
ndavhura message akabva atofona. Haana zvakawanda zvaakataura asi
akangoti "mommy im happy i found you. Ndiri kuuya kwamuri mommy"

Takaita mazuva tichitaura pafon asi nyaya yake yaingova yekuti "mommy
pane zvandiri kugadzirisa ndiri kuuya kuzokuonai"

Christmas yakanga yava kusvika ndipo pakazofona zvakare Dillan achiti ari
kuuya kuMvuma. Akakumbira ma directions ndikamupa vakauya zveshuwa
nemubhuradha wake. Ndakatadza kuzvidzora ndafunga mwana wangu
Richard. Asiwo pane kamwe kamufaro kakaitika mandiri pandakaona
vakomana ava veropa chairo remwana wangu zvisiri zvekumboti mwana
wababamunini kana babamukuru. And vairatidza kuti vana vanobva
kuvanhu. Ndakambobatikanawo nenyaya yavo yavakandiudza yemakuriro
avo ndikatoona kuti pakanga pasina musiyano nevangu. Vakandikoka
kuChristmas asi ndakavaudza kuti handina shuwa nekuda kwemukoma
wavo wandaitarisira. Kusununguka koga kwavakanga vakaita vana ava
kwakandipa pfungwa yekuti ayewa mwana wangu anofanira kuva pane
hama dzake. Yemuzukuru wavaiti mwana waRichard ndiyo yakapotsa
yandisimudza kuenda navo musi iwoyo asi ndakazongozvidzora.

206 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakatumirwa maphotos ake muphone mangu andakaita kunge ndichaita
husiku hwese ndichingomakissa nekutaura nawo. Akanga atungamirira
mwana wake kuhama dzake Richard and chandakayemura ndechekuti rudo
chairwo vanhu ava vaiva narwo kunyangwe ndakanga ndisati ndavaona vose.
Nyasha vakamugashira achiri mwana wemhandu yemumusha vasati
vatomboziva kuti iropa ravo. Asi havana kutarisa kutadza kwamai vaNyasha
asi vakanzwira mwana. Chakanga chatova chimhandara chakanaka
chakasvika.

Ndakatenda Mwari ndikati chokwadi kana ivo vavhura hapana anovhara.


Kudzungaira kuya ndega ndega kwanga kwava kuzochipera manje. Muchiti
dzimwe hama ndakanga ndisina hama here? Ndakanga ndiinadzo hanzvadzi
dzamai vangu vakanga vatamira kuSanyati kunorima cotton vachibva
kuHurungwe. Iniwo baba vangu handinawo kumbovaziva handina kuudzwa
nezvavo kusvika mai vangu vazongoshaika. Surname yekuti Samuriwo
yandaishandisa yaiva yamai vangu naivo vana sekuru ivava inova
yandakazotoresa Richard birth certificate nayo. Asi kuwana kwandakaita
hama dzevana vangu iii kwakandipa kamufaro. Ndini ndakaita hangu
chiramwa asi chakaramba Museyamwa kundiroora nekuti vaiva nemukadzi
asi havana kuramba kutoresa vana vavo ma birth certificate. Hameno kana
vaizoramba havo asi handina kumbovazama ndakanga ndakavatsamwira.

Ivo vana sekuru ivava pavakanzwa kuti ndaita pamuviri pemurume


wemunhu vakabva vatogara vandivharira kunze vakati vachazoda kutaura
neni musi uchauya muridzi wenhumbu kuzoripa mhosva yake.

Chero pakafa mwana wangu shoko ndakavatumira havana kana


kuzungunuka ndikamuviga ndega nemahwindi akaita mudeme mudeme
akavigwa segamba. Baba vemusikana wacho vakamira mirawo asi mashoko
ekuti ndivo vakanga vaurayisa mwana wangu akandibaya pamoyo.

Vakomana vekwaMpofu pavakadzokera vaifona daily vachida kungonzwa


kuti ndiri seyi. Ndaizoda kuona rumwe rudo rwakaita seyi nhai grocery
vakanga vauya vakandisiira mota yakauya ichishinyira. Ndakazviudza kuti
handizivi kuti Reginald aizouya zvachose here kana kuti aizodzokera asi
chakanga chopisa moyo wangu ndaida kumubatanidza nehama dzake. Kuti
zvigoitika futi zvakaitika pana Richard kutambura ndega paakashaika aiwa
bodo. Kusingori kuti ndaida kuti ave nevamwe vake pakusuwa chete asi kuti
kunyangwe paiitwawo zvakanaka mumhuri kana muupenyu hwake avewo
nevanomira naye. Ndakanga ndatona hunhu hwemhuri yose muvakomana

207 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ava kuti havasi type iya inotsvinya nekuzvida nekuzvikudza ayewa. Saipapa
pa get together yemhuri ndaitodawo kuti doctor vabve vakwanawo
pamamonya ipapo. I was going to make him fit in nomatter what it takes.

Kwete kuti ndine zvandaida kuti awane nhaka kana zvinobatika aiwa asi
kungoti kungoita belong to a family. Ndakazviona ini kurwadza kwazvinoita
kushaya wekwako anomira newe. Kushayawo anoti chimbozorora uzvere
ndibate nepapa kana anoti chimbofanogara neapa uchitsvaga pako ndakanga
ndisina. Ndaiziva hangu kuti mwana wangu kutambura haatamburi
kunyangwe ndakanga ndisati ndamuona asi he also needed his family.

Hapano zuva racho rasvika handina kana kudzivata ndichingopepuka hana


ichirova. Ndaiti ndikangofunga kuti ari kuuya ndainzwa kupera simba
mumajoin ndotombogara pasi chaipo. Nguva dzichiswedera ndakafonera
vanin'ina vacho kuti handifungi kuti ndichazvikwanisa ini. Apa anga afona
na 2pm achiti ava muHarare. Ndakatomborwara chaiko kuita running
stomach. Pandakazotaura nevakomana dzanga dzatova kuma 5 chaiko
zvekuti kana kuri kusvika akanga asisina nguva ngani. Vakandisimbisa
vakomana vakati vava kutopinda munzira kuuya. Ndakazama kugeza kuti
mujaya asvike ndichiratidzika asi ndakashaya kana simba rekuzora mafuta
ndikapindwa nechando ndikagara pamushana kuita murwere chaiko. It
wasnt as easy as i thought. Chokwadiwo vakasvika vakomana. Tichiri
kukwazisana mukoma wavo akabva asvika. Haaa ndakashaya kuti ndadonha
seyi pachimugomo chandakanga ndakagara ndakangoona ndava mumavhu
chaimo ini ndakanga ndagara ndiine shena kare yekugeza ndikasazora
mafuta. Kutya kose kwakazoshanduka ikava misodzi yemufaro. Mwana
wangu anga auya zvachose. Vakaratidza kufarirana nevanin'ina vake
ndikaonawo kuti naiye akanga ari munhu ane mutsa. Ko ndakanga
ndapedzisira kumuona aine mazuva ka azvarwa. Apa kwanga kwatongova
kufananidza nemamwe mapatya ababa vake aya uye kuti na Richard.
Ndakanzwa votaurirana kuti "munoudza vana maiinini kuti baba
chaivovauya "ndikaziva kuti plan yangu yanga yatotanga iine cheyedza.
Ropa ravo rakanga radairirana. Takazosara tava toga ava mapatya
akadzokera vachiti chifumi chamangwana 24 December basa rakanga
rakawandisa rekugashira vayenzi vaiuya kumutambo. Reg akati haaikwanisa
kuva navo aida kumbotamba kisimusi namai vake. Handina zvandakataura

208 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
hangu asi kuti ndakangoti nechemumoyo ndichayedza nepose pandinogona
kuti avepo ndiwo waitova mukana wekusangana nehama dzake
dzakaungana. Chandisina kumbonzwa ndepavakataura nezvababa vavo
kana ka1 zvako. Iniwo handina kumbobvunza kuti vachazenge varipo here
pamutambo asi semaonero andakazviita vanenge vakanga vasingauyi. Asi
ndakati chete ndaizobvunza munin'ina wacho kuti ndiite kuti mwana wangu
aonanewo nababa vake chero riri benzi. Akambotsaratsara asingadi kuenda
asi yekunoona Nyasha ndiyo yandakazomupina nayo. Akanga adikwa
mwana wacho akabva atonzi "vakabvuma ndiye achaitawo dangwe rangu."
Ndiko kumuhwina kwandakaita kuti tiende kumutambo. Ndine African atire
yangu yandakanga ndichangosoneserwa namai vaya vekuuya ne grocery
ndakanga ndisati ndatomboipfeka. Ndakanga ndanzwa runyerekupe rwekuti
musangano wemadzimai wekuchurch waizovako August kwaizoitwa contest
yema African attire saka ndakanga ndatoti zvangu zvabhadhara. Ndiwo
waizova musangano wangu wekutanga kubva ndatendeuka. Haiwa yakanga
yakasonewa zvine unyanzvi uye nemucheka wemhando yepamusoro
unonyatsokwana kwete kamucheka shungu kekumanikidzira. Kugoti kufitwa
ndakanga ndisina hangu dambudziko. Ndakanga ndangoripima chete musi
wandarivigirwa handina kuzomboripfeka futi ranga ramirira modelling kkk.
Mabag aReg akanga asati ambomavhura kubva musi wa23 waasvika
taimboita zvekuonana. 24 takaswera mu Mvuma mutown tichiita
christmas shopping. 25 ndakamuka ndikasiya akavata taingovata tose mu
bedroom mangu maiva neka 3 quater bed saka pasi paisara kamwe
kamukoto kekuti munhu 1 aikwana kuvata. First day ndakawaridza pasi
ndikanzwa ndomutswa pakai pehusiku hanzi mama mubhedha wenyu
ndautadza regai ndivate hangu pasi. Saka musi wa24 manheru ndakabudirira
kumunyengetedza kuti tinoo a Nyasha akabvuma. Ndakamuka ndikaita
zvose akavata ndikageza ndokumuisirawo mvura yake yekugeza
ndokuzomumutsa. Paakadzoka akasvika ndichipedzisa kupfeka
ndokusheedzera ari muliving room kuti pane suitcase hombe yaivamo yered
yakanga iine zvinhu zvangu ndivhure. Asi paakaona attire yandakanga
ndakapfeka ndakabva ndanzi ndisachinja. Bva iye mapfekero acho aiva
emunhu amanikidzwa chaiko asi he looked simple and smart hake.
Ndakangoti nechemumoyo chero ukapfeka masaga mwanangu i dont mind
chandiri kuda kusvika newe kune hama dzako. Chandakapfeka musi iwoyo
pazvinhu zvaakauya nazvo kabhutsu kakanga kakakwirira zvakadzikamira.
Tava kuda kubuda Zex akabva asvikawo achiti akanga anzwa nevakomana
kuti Reg akauya asi akanga asiri kuenda kumutambo.

209 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Akambova emotional achiona mutwin we best friend yake asi akazo dzikama
hake.

"Ndakakokwawo ku gettogether asi pandanzwa kuti mukomana akauya


ndatoti regai ndiuye ndizomuona avo tinogara tichionana Ndatya kuti
ndingazongonzwa kuti akatodzokera"

Mwana wangu ndakatoona ipapo kuti aiva nerudo. Haana kumboratidza


kushora kana kusafarira Zex nairo dread rake rezharazhara akamufarira
akadaro. Ndakanzwa votoudzana zvekuzofamba vese vachiratidzana
nzvimbo. Takazobva tava vatatu paya kuenda kuGweru ndakadya front
window mumoyo mufaro uchipfachukira. Zex aiti ndekekutangawo
kusvika pamba pacho asi adress aiva nayo hake uye airatidza kuti mugari
wemuGweru chaiye nekuti hatina kumbotenderera. Takatanga kuona
matende maviri nepamusoro pedurawall tikaziva kuti hatina kurasika. Gate
rakanga rakavhurwa kare takangopinda tichiratidzwa pekupaka bmw
yemujaya wangu yaiita seyabuda muplastic zuva iroro ndikati pamamonya
ipapo pfeee. Ko paiva nemota dzine mazita anotaurikaka nemitupo yacho.
Mwana wangu akaitawo gentleman akauya kuzovhurira Queen vake door
remota. Ndiro zita randakanga ndapiwaka aiyedza mwana wangu kuti
ndione kuti anondikoshesa. Matwins akauya patakanga tiri nemuningina
wababa Richard nemudzimai wake akanga akazvitakura uye airatidza kuti
pazera pane mufambo pakati pavo. Zvose izvozvo handina kumbozofunga
nezvazvo ndakaputirwa nekusununguka kwevanhu vacho kani
kwandakanga ndaona kare muvakomana. Smairi dzacho dzaitongokuudza
dzega kuti you are welcome.

"Dad namama, ava ndimama ava mbuya va Nyasha. Takapedzisira paya


tichiti tawana number yavo kuna Rasta. Ehh takazoendako musi wa 22
tikanovaona kwavanogara ku Mvuma vakatiudzawo kuti mkoma vari kuuya.

210 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Kana muchiri kurangarira paya tichiti mai Nyasha vachitaura kuti
vakambonzwa sekuti baba Nyasha vaiva nemutwin, ndivo mkoma ava
vanonzi Reginald vanga vari ku Cyprus vakatosvikawo musi wa23
tikanosangana navo pavakasvika tikazivana."

Akaitwa ma introduction ipo paya iii presence yedu yakafadza couple iyi
and I fell in love with this family. Pakamboita kadisturbance hameno
zvakanga zvaitika asi vakazvivhara zvikangoita sekuti hapana zvakanga
zvaitika. Akazodzoka Derrick achitaura kuti pane zvakanga vaitika pana Zex
nemukwasha iye akazvinzwisisawo akabva awoneka. Takazofamba tichi
introduswa kuvanhu kusvika tapinda mutende mandakaita mahwekwe
nababa mwana. Havana kana kusimuka pavakanga vakagara and waitoona
kuti munhu avhiringika. Vakazoungana semhuri yose kusanganisira vana
varoora nemukwasha tava kuziviswa kune vakanga vasina. Ndipo
pakazosangana mwana wangu nababa vake. Mudzimai wavo museyamwa
akavhiringika ne presence yedu hameno kuti akanga atoona kutorerwa
murume here. Tsamwa yavakaridza ipapo vachitofamba kuenda
ndakaona kunyara panana Mhofu kana vari sababa Regi vakangodzungudza
musoro.

" Heya vakomana manga makanyarara muchida kuzoti rova ne surprise


chokwadi? Sunungukai zvenyu mhai masvika pamusha. Ahhhh ndokugona
uku mhai. Zijaya rangu. Ahh kutoshaya kuti ndofara ndichidii chaiko ini.
Pano ndipo paHeadquarter musha wakakura chose uchauona hako.
Sunungukai zvenyu Mhofu yemukono, zienda netyaka. "

Vakapamha kumupa hug futi ndikaona kuti shasha yaita kuzungaidzwa


nemufaro. Sezvandambotaura kuti we were a threat kuna mai Daniel
vakabiritsa godo ravo pajikerere ipapo. Yakarira mhere vadirwa mafuta ahhh
ndipo pandakanzwa mweya wangu kuenda kure. Moziva henyu handina

211 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kumboita moyo uya wekuti zvaiwana ngwarati asi ndakanzwa kuya kusunga
kunoita mudumbu. Ndakagwadama pavakanga vakati rabada ndini
ndakabvisa shirt yavo vamwe vose vakanga vapererwa kushaya kana
zvekuita yaingova "Jesus""maiwee""nhai Mwari wee" munhu otovhara
kumeso akatarisa kudivi. Asi kuita sekuti vakanga vapiswa nemavivi emoto
hembe kunamira yaitobva neganda. Ndofunga akanga anyatsokwata chaiko
mafuta acho. Hapana akambobvunza kuti zvaita sei nekuti yaingova nyaya
yakananikwa pachena ko poto yakanga yoita seyanamira mumaoko
amuzvina mhaka vanga vachiti wundundu kunge huka yadirwa mvura.
Yakaita bongozozo matwins achida kukwapaidza munhu hanzi toda
kumuuraya zvawaita baba vedu. Ndopaunoona kuti vana vaida baba vavo
ivava. Regi anga asati ambotaura nezvababa vake asi ndakaona mamhanyiro
aakaita kuti akanga asingambovashuviri kufa. Upenyu chaiho ndakaona
pasisina ini pakatakurwa Mhofu vachinoiswa mumota. Ndipo pandakazoziva
kuti mukwasha aiva doctorwo uye aiva ne private hospital yake ndiko
kwavakaendeswa. ndainzwa kurwadziwa chaiko sekwandakaita
pandakashaikirwa nemwana wangu Richard. Ndakachema zvekurwadziwa
chaizvo ndikazvituka kuti seyi ndisina kuteerera Regi paakati tizoenda imwe
nguva. Ivo vekupisa murume vakanga vaduka mukona nepoto yavo
mumaoko ndofunga vakanga vachimboseredzera mbama yavakakwaturwa
naDerrick. Kutaura chokwadi varoora vangu vaindinzwisa shungu pavaibata
ndaida kuti mapurisa azosvika chimukadzi chacho chambokwapaidzwa.
Mainini ndivo vakazonditora vakaenda neni muguest room
vakanondisimbisa.

"Mainini kutaura chokwadi i will never forgive myself pakawana chinoitika


kuna museyamwa. Ndini ndakonzeresa bongozozo rese iri nekuuya
kwandaita. Dai vaiziva havo kuti tanga tisingatozivi kuti murume wavo ari
pano ini chandanga ndichida kungoti chete mwana wangu asangane nehama
dzake dzakaungana. Anga atomboramba mwana wangu dai
ndangomuteerera. "

"Hapana chamambotadza maiguru mungazviuraya nekuda kwemunhu ane

212 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
shanje here. Vagara ndiwo magariro avo aya chero musipo."

Ndipo pandakanyeurorwawo magariro avakanga vakaita kuti pakanga


pasina proper marriage vaingogarisana chete.

"Mugoona zvenyu babamukuru munhu anga ava kutodawo kuita settle down
manje vaigara vachingoudza munin'ina wavo kuti neuyu zvaramba. Iye
ndiye aingoti "chimbomupa nguva pamwe zvinochinja" asi ivo babamukuru
vakasviba moyo kare. Zvino zvazvadai zvichamboda kuudzirwa here
maresults."

"Chandinongonamata kuti vapore mainini."

"Vanoita right maiguru ngatizvisiyei kumusiki"

Mapurisa akadzimara akasvika vepoto yavo ichingova muruoko vakaita


wekumvonyerwa mu jipi magogo akazoita zvekusvitswa mumota vanga
vofamba nema pulling socks. Patakatevera kuchipatara takawana baba Regi
vasina kumuka. Vamwe vose vakabuda hanzi timbonorohwa nemwando
ndikasara ndakagaramo ini simba ndakanga ndisina ini nekuda
kwezvandaiona mberi kwangu. Ndakanogara nechekumusoro kwavo
ndakavayeva. Ummm haa hameno kuti Mwari akasika vamwe vanhu seyi.
Handsome kubuda pamunhu akazvimba kumeso moti kunaka kuri koga here
imi. Ko vanga vatsva rimwe dama zvichienda nekunzeve uku. Ndakatora
face towel mupurse mangu ndikanorinyorovesa ndikadzoka ndichipukuta

213 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
masides emiromo yavo anda akachenuruka uye misodzi yanga yakaomera
kumeso hapana akanga azvifunga kana kuzviona. Vakaita sekuvhinyuka
ndagumha pakanga pane bandage nekubva vatosvinura maziso.

"Eish sorry museyamwa ndanga ndichipukuta kumeso kwanga


kwakanyangara. Sorry ndakudzimbirai"

Vakangoita kasmile kakaneta misodzi ikamokoteka ichidzika kupinda


munzeve. Chero pandakabvunza kuti mava kunzwa seyi vakadaira kuti vari
nani mumisodzi imomo. Ndakachemawo ini ndikazozvishingisa kuti ivo
vavewo ne tariro. Ini ndini munhu akafara manje nekuti kumuka kumuka
kwavo koga kwakanga kwakandikoshera. Vamwe vakazouya ndanguva
ndagara hangu navo ndakavarinda kuita sekuti vemafuta vaigona kutevera.
Vanga vasisachemi havo asi vaitadza kunditarisa mumaziso. Handina
kuzobva from his bedside ndaiuya ndoswera navo ndonodzoserwa kumba
manheru naRegi makuseni ndomuka zvakare ndichipinda mumalifts
ndichiuya. Ndaiona improvement daily ndichingotenda Mwari. Rimwe zuva
ndakawana shasha yakakurura nhumbi dzemuchipatara dzakaiswa
pamusoro pemachira hanzi hadzisi kundiitira. Regi ndiye akatozodriva
akanotenga mutown mashorts maviri ne ma tshirts akaregedza akati wandeyi.
Babamudikiwo vakazonotora dzimwe ku Kwekwe kumba kwavo.
Ndakangoti vaende nadzo kumba kukasara shoma chete. Regi akasvika
akawirirana na doctor wechirungu waakasiirwa nemukwasha kuti ashande
pasi pake aive pa attachment. Saka ndaisvika makuseni ndovaisira mvura
yekugeza ndoburitsa nhumbi dzakachena. Dzavanenge vakurura
ndonowacha kumba kwa Celine nekuaiyina ndodzoka nazvo kuitira
kuzopfeka the following day. Pachikafu pakanga pasina kana complaint
paidyiwa variety chakabikwa zvakanaka futi. Muroom mababa Regi
maitouya 2 plates neyangu. Vaiuya kubva kumba vaitongouya havo nacho
zvemutemo. Ko vaispoiliwa from all angles chinobvira baba ivavo asi kuita
sekuti parwara mwana mudiki. Ma Pizza akanga ototifinhawo nesu ko
taimazivirepi. Mamoyo aiti chero akasauya she made sure kuti atumira taxi
ne pizza daily.

214 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Daphne nemukwasha na Derrick nemuroora vaifona pafon yangu daily
vachibvunza kuti baba vavo vari seyi vobva vataura navo. Dillan aiuya pano
neapo pressure yaimuwandira ndakanzwa namamoyo kuti aiswera ku office
asi aitoita wemapiritsi kufona rutatu pazuva.

Kupora vaipora zvakanaka chose asi kuloosa weight manje ndiko kwakanga
koshungurudza vanhu. Kumeso kwakanga kwapora zvakanaka asi vanga
ndiro rakanga richakati bhaaa. Ndakatombonetseka ndikambofeya Regi kuti
havana kuzozongerwa here akatoseka hake.

"Mama dad vari clean ava pano mutemo unoti hapana anorapwa asina
kuitwa HIV test chero flue chaiyo. Hanzi toitira safety yevashandi kuti vabate
murwere vachiziva. Ndicho chinhu chekutanga chatakaita tichisvika pano.
Kuloosa weight ndoona inyaya yepfungwa vane zvavari kufungisisa."

Ndaita kutura befu chaiko bva matarisirwo andakaitwa na Regi


akangodzungudza musoro achibuda.

Chero padumbu nepachipfuva pakanga papora asi pazamu pavo painzi


munyatso wakanga wadzurika ndipo painetsa kupora painzi pakatsva
zvakadzika. Ndakapiwa mushonga wekupota ndichivazora na Celine ndiye
akanga ava kunyanya kuuya dzimwe nguva aizoita zvaaiita instructor Regi
vakatarisa zvavo vachinyora. Mushonga waiva wekudzima mavanga uye
vaiti kulight skin seyamhofu hazvitori nguva. Ndaivazora kuseni koga koga
pavanopedza kugeza ndozovazora zvakare manheru ndava kuenda. Bva
ndakanga ndaomeserwa ndainzwa kutekenyedzwa muviri wose
ndichivazora mushonga. Ivo vaibva vatsinzinira maziso kani ndaipedza
ndatambura. Ndaingozvitora pakuti sevanhu vakambodanana
vachisimudzirana mafeelings iwayo zvaingova mupfungwa. Kufamba
kwemazuva ndakanga ndisisauyi hangu mazuva ose nekuti vakanga vogona
kuzviitira zvose. Vakanga vapora ava kwangosara pazamu ipapo chete.
Chandakaita kukumbira babamunini kuti aunze dzimwe nhumbi dzakati
wandeyi. Ndaiti zuva randinenge ndauya iroro ndaisiya ndawacha dzose
ndoayina. Musi wavakabuda muchipatara ndakanga ndatovata ndaudzwa na
Regi kuti dad vari kubuda mangwana. Ndakamukira ndikanowacha nhumbi
dzakanga dzakasviba zvekuti 10 yakasara yochaya dzatooma ndatorongedza

215 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
tamirira vaizouya kuzovatora. Vakasvika takatogara hedu tichiita nyaya tiri
vatatu nemujaya achitondiwanzira hake.

"Dad ndafara mapora zvakanaka. Mama mukasangwara ndimi next nema


cobra enyu amunobika iwayo muchakwaturwa neparafin."

"Vanobika cobra nhai?"

"Zvenyu dad ndakanotarisa mushop cobra inongoita same price neyavo


iyoyo yemushop yakatochipa futi ne 50c. Ko vakangozvitengera mushop nhai
pane kuda kundipisira queen vangu"

Ipapo aitaura achindihen'a achindiswededza padhuze bva kukiswa ndaiona


nhamo ko ndaizvizivirepi dai asina kuuya mwana wangu.

"Haiwawo havaidi yemushop vanotoziva komboni yose kuti cobra yekwamai


Richard inopenya. Mapenyero anoita mumba mangu iwo aya ndiwo anoita
komboni yose. Plus inonhuwirira futi"

"Makazvidzidzepi mommy."

216 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Mwanangu nhamo inokudzidzisa zvose zvose."

"Ndavapo mama ikozvino ndokuchengetai ini you are now my responsibility.


Zvecobra tombosiya"

"Hahaha cobra yangu handiregizve. Zvatova muropa."

Akangodzungudza musoro akanditarisa vanhu vachipindawo 10 yakanga


yachaya. Takatozonoswera tava kuLundi Park ndokuzoperekedzwa
kunosvika kuMvuma na babamukuru navatumbwa nababa Regi. Vose kaiva
kekutanga kusvikako asi ava vakazouya mava kutaridzika ndatengerwa
couch rinogara vanhu vatatu rine kona re leather, gas stove uye zimubhedha
rakabva rangozadza karoom kacho kose. Machira ndichataura here asi kuita
matutu matutu. Chikafu ndanga ndoita chekupfachura. Kuita kwaMwari. Iye
aigara hake nemunin'ina wake asi kwaingonzi mama ndokutsvagirayi imba
yakatambanuka. Ndakamuudzawo hurongwa hwaivapo hwekuti dzimba
dzepaSavvana dzaida kutengeswa asi dzaizongopiwa vaiwanikwa varimo.
Makuhwa aiti muna April ndipo paizouya DA saka kwanga kusiri kure.
Akazongoita kuti ndivewo comfortable pandaiva ipapo. Akatsvaga electrician
akazondiisirawo magetsi ndokutengerwa kafridge ndanga ndonwawo mvura
inotonhorera inopedza nyota. Ko kuita kwemari ndakanzi ndisachanwa
mvura yemumugodhi pose pandaibva kuchipatara ndaiisirwa 40litres dzetap
water mu boot kozoti ma case kana matatu e mineral water yekunwa. Isina
kunyatsogashirwa inyaya yemunda wejambanja wandakambowana
kuShurugwi ukazoita politics vanhu vakambomiswa. Saka neighbor wangu
akandifonera achiti vakadzoserwa zvakare vanhu vava kupiwa ma offer
letters vachitovaka. Ko waiva munda wekutamba here raiva purazi chairo
ndakanga ndangochancawo. Ndaida kungovaka round yangu nekaflat
ndonozvigarira. Asi ndakangonzi "munonogara nani ikoko mommy ini

217 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
handikudi. Ndakauya kuzogara nemi ini moti makuda kundisiya muchienda
kupurazi. Saka better ndidzokere hangu ku Cyprus basa rangu ririko"

Ndakabva ndaita nowhere chaiko kuti ndifunge kuparadzana nemwana


wangu ipapo pakandiremera. Akazotaura zvestand yaaida kuvakira baba
vake. Ndakaona kuti kutanga andiudza yaiva nyaya yekuti pamwe
ndinogona kurambirana nazvo asi ahh ini handina kana kumboona chakaipa.
Ndakatoona uri mukana wekuti kana oda kundiitirawo ndomuti ndoda
kupurazi kwangu. Ndakaratidzwa plan yacho aiwa yakanga yakanaka.
Mapatya akzotiwo vanoda kubatsirana naye ndikaona team yaDanny
yakasimba chaiyo isingazozungunutswi.

Vakaenda kumuchato ku South Africa ndikasara namainini mazuva avo


ekupona akanga asvika. Vakasara vopona musi wemuchato manheru
chishamiso pachipatara painzi kubva zvayavhurwa matwins akaponerwapo
aingova emukwasha chete. Vakapona ne opp zvakazondipa kuti ndigare
mwedzi miviri chaiyo kuGweru. Kwete kuti ndaicomplaina ayewa ko l felt at
home zvangu ndiriko ndichibatsira nemoyo wose usingagunun'uni. Nababa
Regi taitaura vaifona chose wainzwa voti "ndati ndingonzwa hangu kuti muri
seyi ndatumirwa etym nevana manje ndogofonera ani hangu. Ivo
ndikavafonera vanokata vofona back ivo saka hameno kuti vanoda kuti
ndiishandiseyi."

Taingotaura hedu nyaya dziri general dzekubusiness kwavo nekubvunzawo


vana 4 kuti vari seyi. Hapana havo pavakambotaura nyaya dzakatsaudzira
ipapo ndinganyebe. Asi ndakanga ndakutonzwa kuti vakarega kufona
ndainzwa kutosuwa voice ravo nhai. Mumwe musi ndakaerekana
ndahumana kuna mainini kuti "nhasi museyamwa kana kumbofona
ndofunga havana etym"

"Muri kuvashuva handiti?"

218 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Kana handisi kumbovafunga ini. Kungoti munhu anogara achifona mazuva
ose saka ndangoti pamwe havana etym kana kuti pamwe miviri iri
kutodzimba."

Kwaingova kuvanda uku miviri igodzimba pagoshaya aziva nemadirwo


avaiitwa ivavo. Ndakanga ndabatwa chokwadi ndakanga ndichitovafunga ini
kujaira kumuka ndichinzwa voice ravo daily.

Mainini misikanzwa vakatora phone yangu ko ndaisaisa password


ndaigoisira ani hangu. Kuzondipa yava kurira vatofonera Baba Reg
ndomasevhero andakanga ndakaita.

"Hello mhai. Regai ndikufonereyi"

Vakabva vatokata havana kufona ipapo.

"Mainini ndo chii chamaita nhai vasikana?"

"Ndaona kuti mungakuvarira mukati nekufunga chimwe chenyu ndikati


regai ndibatsire hama."

"Hamunzwi imi mainini ndazviona. Chimwe chavo chiri kuShurugwi uko


chinodzoka manje manje."

219 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"hapana paya maiguru. Bamukuru vanonyatsoda imi vaya asi
hamungozvitarisi chete. Kungoti semunhu ane past yake vachiri kungoona
sekuti havagashiriki asi vachinja wee. Ndakutoita makuhwa ipapa
momboziva kuti mhuri yose inoda kuti muve mose na babamukuru? Bamnn
venyu vanondiudzazve. Imi hamuoni here masudurukiro akaita vanhu
kuchipatara pavakaona kuti muripo. Ndizvo hazvo hazvo kuti vanhu vane
mabasa avo asi nyaya hombe yaiva yekuti muwane nguva muri vaviri. Chero
na Regi chaiye pane paakatombotaura nababamnn vake kuti dai zvaiita
sekuda kwake baba namai vake vadzokerana. Anokudai mose hongu asi
point yake yaiva yekuti aizonyanya kufara mukave pamwechete. Ndati
makuhwa aya mainini musazonobvunza mwana. ndangoti mugare
makagadzirira zvichauya and tose se mhuri we wont take a no for an answer.
Haaa tingatoita plan. You are the best for babamukuru and
makatogamuchirika mumhuri nechekare. He is a changed man and vava
focused vanga vachitongodzoserwa shure nemupengo uri muchizarira uyo.
And ne support yenyu vanosvika kure babamukuru. Munodiwa mhai kubva
kumusoro kusvika kuchanana chemhuri kusvika kuhuku kiti nembwa
dzemumusha"

Takamboseka hedu statement ravo rekupedzisira vakazoti

"Ndizvo hazvo munenge muri mai kwandiri asi hazvinditadzisi


kukuonesaiwo zvakanaka zvamunenge musingaoni."

Ummm haaa ndakatya nevanhu ava. Shuwa kundirongera here. Ivo baba
Regi kana zuva rimwechete zvaro ravakamboratidza kuti vane zvakadaro
zvavari kufunga uye zviri kutaurika mumhuri. chero pavakazofona
ndakaita kukakamira veduwe ndanga ndongopindura zvavaibvunza.
Vakazondiudza kuti vakanga vaendesa delivery kuGokwe chaiko saka phone

220 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
yakadzoka yapera moto. Saka pakafona mainini vakanga vachangoiita on.
Hatina kumbotaura zvinoenda kure dzakaramba kubuda nyaya dzacho.
Vakatoseka pandakabvunza kuti yakadii miviri hanzi "ahh mhai miviri
yakapora ndinhasi here chero dai ndanga ndiine pandinonzwa ndimi
maitoita wekutanga kuziva"

Mazuva akafamba zvawo imba yaMhofu ichivakwa. Ini ndaivapo paLundi


and vana vaikurawo zvakanaka chose. Opperation yamai vavo ndiyo
yakamboda kunetsa zvekuti vakaita 2 months dzose vachingoyuwira.
Bamnini vangu vaimboshinga vakapedzisira vadudza hanzi "maiguru zvava
kurema izvi zvatichaita birthday remwana ndichingovata ndakagonya."
Chero ivo mainini vakanga vongoti "Maiguru zvandichasiiwa nemurume ko
tikangoita zvine basa reyi hatiitisi". Iniwo ndakanga ndisina experience
mazviri ndaigoziva kuti kuitisa kusvika papi here. Ndakangovapa advice
yekuti go ahead ya doctor yakangonaka hayo kuitira kuti pasazoita
zvinonetsa. Ndakavanzwira tsitsi veduwee asi musi watakadzoka ku checkup
iri Friday mainini vanzi vanzi opp yavo yava perfect bamnn vangu vakafara
veduwee. Saturday ndipo paiva ne official opening yemba yaMhofu.
Ndakavanyengera maiini ndikati vasare kuitira kuti bamnn vasazovata ku
south veiw nekuti ndiho hurongwa hwaivapo kuti munhu wese aizonosiya
hope kumusha mutsva. Takanga tambofunga kutosiya takwidza ma cotbed
evana tikazonyara kuti zvinga tozoita sekuti paita desperation kunyangwe
yaivapo zvayo.Takavasiya vari pamba tikaenda hedu. Ahhh museyamwa
vakandirwadza ini surprise yakavashungurudza kusvika misodzi yangu
yadonhawo. Dai pakanga pasina vanhu ndakavambudira ndovanyararidza
ndega. Ko kubva pandakaudzwa na mainini makuhwa ndakanga ndongoti
chero kungovafunga ndainzwa kunanairwa chaiko. Bva ivo kana kumboita
kana sign havo. Ndakazongoti pamwe ipfungwa dzevanhu ivo havazvifungi
havo. Ko kuzonzwa tushanje pandaifunga kuti pamwe ini ndikutofunga
hangu munhu wangu ari kutogaya kuti panodzoka madam kuchawagona
votangira papi. Neniwo yaiva first time kusvika pamba apa iiii
havaimbokona kuchema chokwadi. Maphotos akanga atosvika kunamainini
ndikaona msg

221 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
" Saka imi moti imba iyo yaitirwa mhofu vega here imi? Kutotaura kabisira
kuti baba namai garisanai pamusha apa kkkk"

Handina kupindura ini. Asi rakazouya zvaro bhomba randakanga


ndakamirira. Hanzi handigarimpano ndega unless kana muchiuya neni.
Ndakatozoita vekunyengerera kuti zuva iri rimbodarika nekuti iyi yaiva type
yekuti vaitobuda panze kunotaura kuti pano ndichange ndichigara nambuya
Nyasha. Kutaura chokwadi ini kubva pandakaudzwa namainini kuti Mhofu
vari kundida ndakabva ndanzwa kuvada. Regai nditi kubva ipapo ndanga
ndakarimirira zuva iri asi kuti ndaingoda kuti kana tichizogara tose zvoitwa
nenzira yakanaka zvsingashresewo kuvana vanga vakura. Ndakaona
vozeveerana nemwana wamai vavo patakabuda kuenda kune vamwe
vachipota vachinditarisa ndikaita hangu sekuti handisi kuvaona. Bvaa
ndakazogadzirirwa size chaiyo inokwana ndikaona kuti yaaa kune vanhu
vane misikanzwa uye vaitova very serious. Wangu mwana wekubereka kuto
wedzera urimbo pamusungo hanzi "mama muchaperekedzwa nadad ini
ndoda kuzorora mangwana kubasa". Ahhh akanga asina kuneta ndiyani nhai
chero ivo baba vake vaienda kubasa wani. Asi ndakafara paakavati vadzoke
nemota ndiyo yaaida kuendesa kubasa. Saka netime dzatakazosimuka
kwaingova kusvikoita uturn vachidzoka. Bva ndaizvinyepera hangu.
Ndakaona munhu kutodzokera kunokiya mota paakabva kuisa ma bag angu
mumba. Yakati yatanga chorus yacho kubva ndichitanga kubika kusvika
ndapedza. Pakudya munhu aimboti apedza kutsenga ndombonzi "matii mhai
please ndifadzeiwo". Mhinduro ndaiva nayo ini asi zvaizongoita here kuti
ipapo ndongoti ngatidananeyi hedu. And ndaitozviziva kuti kudana kwacho
kwakanga kusiri kuya kwekuti vanhu tombopinda mu courtship ayewa
kwaitongova kukavira bhora mberi. I was prepared to take my man back asi
ndaida kuzviita zvine hunhu zvisingazondishoresi nevana ko ndivo
vainyanya kuzezesaka. 12 yakachaya munhu kutodaidzira kuti ndipeyi
pekuvata ahh ndakapererwa. Ivo vanhu vakanga vasara Gweru kana
kumbofona kuti vabvunze kuti mafamba seyi zii yacho ndakatoona kuti yava
nechirevo. Chero pandakazovati ngatimbozama tione kana zvaramba
tosiyana nazvo ndakanga ndakutyawo kuti vatyaire that late. Ndakatora
hangu machira kuti ini ndivate pa couch ranga rakakura Regi ndipo paaivata
mazuva aanenge ambofunga kuzovata kumba kwamai vake. Ndakanga
ndabva ndageza hangu plus apa zvanga zvonetsa nekuti manheru ndaigezera

222 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
mumba muzidish zihombe. Ndakavaperekedza kunovata ndikasiya ndava
vhurira pekuvata. Ndakanzwa ruoko dzvii ndava kuda kubuda.

"Kana goodnight hayo here?"

"Ndataura wani kuti muvate zvakanaka."

"Ohh ok chirega ndidaire"

Musoro wakadziswa ndakatariswa mumaziso chaimo kusvika miromo


yasangana. Ndakakiswa pamuromo ndikanzwa kuzuzuma muviri wese.
Ndakashama muromo kuti nditaure ndipo pandakairasa. Ndakahakiwa
rurimi ndikasvetewa ahhh ndakaerekana ndavhara maziso ndikadairira ini.
Takabvutidzana mweya wekufema paya and kiss yacho yaiva yezhara chaiyo
tose zvedu we were starving. Ndakaerekana ndanzwa ruoko muhembe asi
pfungwa dzakanga dzadhanganyika ndisisaziva zvaiitika. Ndakabatwa zamu
ndikawurukira eish feeling yacho waiva moto chaiwo. Simba rakatanga
kupera mumabvi ndikaerekana ndagara pamubhedha ndakangorumwa chete.
Handina kuona kuti ndavatiswa seyi nemusana blouse ravhurwa ma button.
Bra yakangokwidzwa kumusoro ndikaanzwa poita kunge paita kutu
pamukaka. Ndakazopatika ndasimudzirwa skirt yowee ndokwazvakanga
zvatosvika. Ndakada kumuka asi weight yaiva yakawandisa.

"Museyamwa musadaro kani makundifukura hembe."

223 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Sorry shamwari but eish handichagona ini. Ndiite seyi nhai
ndakurwadziwa."

"Im not ready ini plus...."

"Please do it for me. Ndakuvara"

Maziso anga atsvuka kuti piriviri. Ndakarumwa zamu zvakare


achichinjaniswa mati kudzatuka kwandakaita ikoko kunzwa kuti pant ratota
chaiko.

Neniwo ndanga ndakaura asi problem ndakanga ndisiri pa any contraceptive.


Ndakanga ndichiri kutevera,zvakanakisa saka ndakatoona mimba chaiyo.
Zvaizotonyadzisa worse manje.

"Museyamwa mirayi mbichana. Handina contraception yandiri kutora ini."

"I know. Ndoziva zvekuita kani mudiwa ko ndiri mwana mudiki here. I love
you shaa and this time ndichirevesa kubva pasi pemoyo wangu.
Handingamboiti zvinokurwadzisa. Please"

224 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakangoromanciwa futi kusvika ndaibva ndongozhurukuzha kunge
chindumure chine mudumbu. Skirt yakangobatwa nepant yacho ne tight
zvikakweverwa kumakumbo. Ndakada kuvhara makumbo asi manje
vakanga vakamira pakati pemakumbo angu. Ndakanzwa ruoko rwava
pahasha ipapo uku muromo ndakanamiwa. Baba vacho vainyatsoziva havo
pekubata ndakaerekana ndasimukira ndapukutirwa kanyemba. Bva kuteura
mvura ndanga ndanzwa, ndakazonzwa mvoooo munhu akanyatsonditarisa
mumaziso chaimo. Zvairwadza mbichana kugoti baba vacho vanga
vakatakura kurema. Ndakaridza kamhere kekurwadziwa nekunakirwa
zvose.

"Sorry I will be gentle. Eish ouuuuch, ummmm shamwarika you are tight
zvinonyatsoita eish"

"Ndiri kurwadziwa"

"I know, sorry zvoperra soon. Sory"

Apa munhu aiti sorry achipushira mukati chaimo. Akangochovha mbichana


kuda katatu ndikannzwa munhu ava kuwomba achivhomora chop chop
ndikanzwa ndazadzwa padumbu munhu akashama muromo kunge
ndichaona pasi uku rumwe ruoko ruchipukuta paya pekundipengesa.
Ndakashinyira veduwee ndikanzwa rurimi rwaiswa ikoko kana kumbosema.
Aiwa handina kumbonzwa zvakadaro weti chaiyo yakauya nekunakirwa
ndikaerekana ndati tsaaa.

225 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Haaaa zvakakuomera wandipamha futika. Uchiri kurangarira kuti musi
wandavhura road wakandiwetera futi kumeso."

Ahh ndaizvikangamwa nepai izvozvo. Vakanga vaita zvavo izvozvi


zvekundisveta beans yangu ndikapengereka kusvika ndatsotsewa
humhandara. Ndakazoisa mvura mubucket ndikaita rekugarira pamusoro
ndichikapura tsvina. Ndakamboshinyira ndabata ndikanzwa kuti feeling
yakanga ichiripo yasarira. Shasha yanga yakavata nemaji zvayo ndakatariswa
ndichigeza apa sajeni vatochaya sarupu vachipukutirwa. Ndichinoti
ndanovapukuta ndakangodhonzerwa pamusoro. Ndakatozo kumbira kuti
tishandise condom ko ndaiva nawo pama contraceptive andaitengesa.
Ndakapfekedza sabhuku vakanga vaoma kuti ngaaa vachidzinina muto. Apa
rumwe ruoko rwaitambisa nyatso yangu rumwe ruri kuzvidhori chigunwe
chichimbopota chichinzi pfee. Maoko angu aibvunda munhu kana
kumbondibatsira busy kundiuraya nekunakirwa. Zvepamusoro
ndakazvitadza ini ndikabatiswa mubhedha ndokurohwa from behind
ndakatsikiswa gumbo rimwe pamubhedha wakareba iwoyo. Bvaa vaiteura
baba vacho condom kuita serichasvika muhafu. Takazovata taneta zvekuenda
kutozopepuka munhu akaruma zamu atozvitorera condom akapfeka.
Ndakangovhurwa makumbo ndikabaiwa nepfumo rinobuda uchi.
Kemakuseni aka kakanaka kani ndakadudza kuti "museyamwa I love you."
Makiss ndaikuvadzwa nawo haa aka kakanga kakapenga. Pane pavakazenge
vongodaidzira kuti "mhai ndofa nekunakirwa" apa speed yanga yofambiwa
nayo ungamboti ndisekuru vaNyasha. Bva kutaura kuita nyenze chaiyo.
Takaita ruzha rwekunakirwa tichisangana pakati tichifemereka kunge
mabhiza abva pamujaho umwe wangu nengonono ipapo. Ndisati kana
nekumbozorora ndakanzwa knock pa door. Ndakangokuturira munhu
paside ndokutora morning gown ndikapfeka mukati musina chinhu. Kutarisa
nguva kudai 5 yanga yachaya ndikaziva kuti vanhu vecobra vava kuda
kutsvaira. Ndakaridza tsamwa svinu ndakanga ndazviudza kuti ndomboita
imwe hour ndakatakura nekugukuchira mumwe wangu akangopedza
nekutoshona. Ndakangotora tauro nyoro ndikapukuta downsouth nekugeza
maoko ndichibva ndangotora magaba matatu e cobra red black newhite.
Kunovhura door kudai wane Mhofu Jnr varipo zvavo. Ndakazwa kukweva
makumbo kumashure kwangu kunoti cheu wane museyamwa face
yakatozvimba zvayo hope zvemunhu anga ari pa night shift vasina zvavo

226 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
shirt trousers risina zvaro kukonoperwa belt brief yakabuda label
nekumusoro mumakumbo muine mapush aRegi aigara kumba,

"Ndiyani mudiwa? Ndanga ndatobiwa nehope ipapa."

Ndakambotarisa machira aiva pa couch akanga akapetwa bho bho. Dai


akanga akabvanganyuka paigona kungoita,sekuti mumwe avata ipapo.
Vakambundirana vana vanyamunhu ndakangoti kanha ndiripo negown
risina chimwe chinhu mukati nemagaba angu ecobra mumaoko.

"eish I'm relieved. Hatina kana kuvata mhuri yose tisingazivi kuti mawirwa
nei. Mafon enyu ose ari off kubva zuro. Vakomana hanzi dad siyayi kuchene
tione kuti havauyi here ndikavati munodaro nekuti haasi mwana wamai
venyu. Pamwe izvozvi mwana wamai vangu aita accident ari kutodamburwa
makumbo nemakava. Dzaramba kuuya hope"

"Ahh Mhofu mwana wamai venyu mucheche here nhai? Mafoni ese
ndakamadzima zuro ini"

Hayaa ndakapererwa ini munhu achindipa that look yekuti wakaura ko


ndaingoti ka kusangofonerwa hangu asi phone iri on.....

227 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 16
Mai Regi

Kugara kwandakaita pa Savvana ndakanga ndazviudza kuti hakuchina


kumwe kwandichaenda ndiyo yaiva final destination yangu. Ndanga ndaneta
nekukungodzembereka ndisina zororo. Ndaiva munhu ane kuvava pamoyo
nekuda kwezvakanga zvaitika kwandiri. Chakazonyanya kundirwadza
kushaika kwakaita Richard wandaiva ndakatotarisawo kuti achandichengeta.
Sareyi ndava pazero chaipo. Saka pandakaona pa komboni pachigarika
ndakangoti ko ndikazvigarira hangu paimba yemahara. Semunhu aingoita
kunge mubushman kuti pano ndagara ndabva pano ndagara ndabva
ndakanga ndisina hangu zvinhu zvinobatika,zvandaiva nazvo. Asi makore
ose andagara handina kumbobvira ndarasa hunhu kana kufunga kuita
chipfambi. Chero kumakorokoza kwandakambotengesa ndiri kwaiitwa
chipfambi chaicho asi ini vaitoziva kuti mai Richard havaite zvisina basa.
Ndaiva mwana mudiki chaizvo asi ndakangozviudza kuti ndikapiwa
mumwe mwana ndaizozvigona here. Ndakambopotsa ndawira pana vamwe
Gold buyer ndikatombovada kwemazuva. Luck randakaita musi wataonana
vakanga vava kutodzokera saka taingotaura pafoni chete ndipo
pandakavadira ndikapromiswa kuti pavaiuya ndaizotorwa ndonotsvagorwa
pekugara pakanaka kuKwekwe. Ndakatozoziva kuti ndaiitiswa
pandakazofonerwa nemukadzi wacho abata ma msg mufon plus iye aigara
kuKadoma. KuKwekwe kwaitova kuda kunovigwa uko kure na madam.
Saka ini nguva yangu zhinji yakanga yava yekutsvaga mari kuti ndirarame.
Ndakadzidza zvakawanda chose nekuda kwenhamo. Apa ndanga ndava
kuita hangu zvekubika cobra ndichitengesera madzimai emakomboni ose ari
maviri kuti komboni yataigara kozoti yekumusoro kuma ostrich. Ko
madzimai acho aiita makwikwi ekupenyesa zvinyede zvavoka. Ndaitengesa
zvakare mapiritsi efamily planning uye macondom echikadzi neechirume.
Pahunhu hwemukomboni chandaiziva chaivamo umu makuhwa nekutukana

228 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
uye kurwa. Haiwa izvo yaiva order of the day. Asi chipfambi chaiva
chishoma hacho kana kuti regai nditi makanga musina chipfambi nekuti
handina wandakaona. Kana varipo vaiita kuda vainoitira kunze.
Ndofungawo yaiva nyaya yekuti madzimai ndiwo akanga akawanda.
Ndosaka kumarana nemakuhwa zvakanga zvakawandawo. Asi zvose
ndakagona kuzvikunda nekuti I kept myself busy ndichiita zvekutsvaga mari.
Asiwo madzimai emo akanga asingangongwariri kushaina dzimba chete.
Vaigezawo uye kupoda waionerera. Kuita sekuti pane aiuya achivadzidzisa
kuita make up.

Rimwe zuva ndichibva kunotengesa cobra yangu pa road ndakaona zvipepa


zvakanga zvakanamirwa kuti paizoita crusade kwe vhiki yose. Yakaitwa
zveshuwa paopen space yaiva pedyo nepamba pangu. Kubva Monday
kusvika Friday ndaingonzwa ndiri mumba mangu. Shoko reFriday rakapisa
mweya wangu ndakatanga ndiri mumba ndikabuda ndikagara pa bucket
panze pedzisire ndasvika pachaunga. Vazhinji ipapo zvaiva zvanana
nevakuru vasingadariki 20. Ndini ndakaita wekutanga pakanzi vanoda
kugashira Jesu. Ndakararama makore akawanda ndichingogunun'una
ndichirwadziwa pamoyo asi pakaparidzwa shoko rekuti "let go" ndakavata
husiku ihoho ndarerukirwa. Handina kuzombodzokera shure kubva ipapo
ndakatendeuka nemamwe madzimai 6 uye vakomana vaviri nevasikana 4.
Vana baba zvagara havangotoreki zvekumhanya. Mufundisi ivavo vainzi
Pastor Nyakamunda vaibva ku Gweru every Sunday vachizopinza service.
Vaiuya nemamwe maelders maviri achichinjana every sunday vaiperekedza
Mufundisi. Ndainzwa kunonokerwa nemusi wesvondo nekuti zvaiita sekuti
shoko rogaroga rairapa moyo wangu wakanga wakaputsika. Pane nziyo
yandakatanga kunzwa pacrusade yakanga yongounga mumoyo mangu chero
ndivete yekuti

Hakuna hama kupinda Jesu

Hakuna hakuchina

Hakuna mumwe kupinda kupinda Jesu

Hakuna hakuchina

229 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Jesu ndiye shamwari yedu

Anonyatsa kutunyatsa kutungamira

Hakuna mumwe kupinda Jesu

Hakuna hakuchina

Ndainyanya kubatwa nepekuti:

Hakuna mumwe kurapa moyo

Hakuna hakuchina

Ndaishaya kuti ndovatenda neyi chaizvo neshoko renguva muupenyu


hwangu zvekuti mukushaya kwangu imomo ndaizvipira kuti mushure
meshumiro yoga yoga ndaibika zvishoma zvandaiva nazvo kuti vanenge
vabva kuGweru vadzokere vabata ura. Paitovawo nevaiva nazvo
zvakawanda ko paigara maticha epa Savvana primary school, nemamwe
ma civil servants vaishandira muMvuma town asi hapana aimbofungawo
kuti kuGweru kwabviwa kuchi kuseni saka panodawo zvekungoti vawane
simba rekudzokera. Ndinoona zvakandizarurira maropafadzo chaiwo nekuti
ndaiita zvichibva pamoyo. Kwaingova kushaya hako asi ndaitozvinzwa
mandiri kuti handina kana kuwomera. Zvishoma zvandaiwana ndaitonzwa
kuti dai ndawana wandagoverana naye and ndaitonzwa kamufaro mandiri
ndisingambogunun'uni kuti saka zvimwe ndichazvowanepi. Saka chero
ipapa ndaisambozvitarisa kuti zvandapa vanhu vaMwari ini ndichazodii.
Ndorangarira rimwe zuva randakabika tu rice 1 cup yaiva mumba ndashaya
kuti zvino vanhu vakajaira kuti kana service yapera ndinovabikira
ndovaudza sei kuti nhasi hapana zviripo. Ndakazongorovera moyo padombo
ndikati "Mwari hamungazombondiregi ndichifira kutsi kwehope nenzara
nekuti ndaitira varanda venyu. Kana ndichizovatira mvura muchaiita kuti
indigutse ndimi"

Sezvandambotaura kuti mufundisi vane vanhu vavaipiwa vaiwanzouya as


couples vaivaperekedza every Sunday. Saka musi iwoyo couple yavakauya

230 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
nayo kakanga kasiri kekutanga kuuya kuSavvana. Vakambenge vauya panga
padarika kuda 2 months. Vakadya rice iya nemazai ndakashaya kanyama
kekuvapa. Ini ndakatoita kunge munhu akatsanya nekuti yangu plate
yakaramba kubuda. Ivo vanenge vakazviona saka vakadya havo havana
kumbobvunza kuti ko nemhaka yei ndakanga ndisingadyi sezvandaisiita
mazuva ose kudya navo. Mufundisi ndivo vakazowanza havo vapedza
kudya hanzi "mama ndaona kuti ndikataura mungazodheerera ini mukati
tidye tose muplate mangu ndikazosara ndisina kuguta." Takaseka hedu ko
ndakanga ndava pedyo pedyo nemunhu waMwari asi hazvina kubvisa
respect yangu kwavari. Ko vairatidza kuti vangangoita mazera mamwechete
nevana vangu saka mushure mekushaika kwakaita Richard ndakabva
ndazviudza kuti ndava childless. Reginald ndaimufunga hangu asi hapana
chandakanga ndichagona kuita nekuti akanga asisiri wangu and maitikiro
azvakaita zvairatidza kuti murungu akamutora akanga asingatombodi kuti
ndizive kana kuteverera kuti zvikazodii nekuti handina kutomboziva kuti
vakanogarepi naye uye havana kana zuva rimwe ravakambo communicater
kana kungotumirawo havo picture yekuti ndione mwana. Handiti chero birth
certificate vakaenda vatomutoresa nezita ravo. Saka Pastor ava ndaitovaona
semwana wangu chaiye. Vakanga vasina kuroora zvavo asi vaiva naye
musikana wavaimbopota vachiuya naye. Handina hangu chandakashora
paari handiti ndakanga ndatoita moyo wamai here wekuti kana mwana
atanga kunyenga unomboita uchivheta zvisikana zvinenge zvofambidzanwa
nazvo uchionawo kuti zvakakodzera here. Kunyangwe usingazogoni hako
kumusarudzira wekuti aroore asi izvozvo zviri normal.

Vakazoti vava kuoneka couple iya yakaburutsa zvinhu mumota ahhh imi
ndakashama muromo kuti zvichiri zvatengerwa munhu mumwechete here
kana kuti yaiva donation yaienda kukomboni yose. Vakandisiya ndakaoma
mate kani ndasiirwa grocery raizondichovha mwedzi nemwedzi asi
dambudziko raingova pakugova hameno kuti chii. Cobra yandaibika chaiyo
ndaigona kuti ndikaona customer yangu yagarisa isina kuuya kuzotenga
ndaierekana ndaisa chigaba muplastic ndomuvigira. Ndizvo zvandaiva. Asi
chandakadzidza zuva iri ndechekuti kana ukatandavadza nemoyo unorevesa
Mwari havadye chemunhu mahara. Ndakatengerwa grocery rose zvaro
kusvika ndatengerwa nema toothpick netissue chairo.

Ndakatozoseka hangu manheru na mufundisi vava kundiwanzira hanzi


"mama paya pamarega kudya ndazviziva kuti pakaipa. Asi maita mukadzi
mushuneni mashumira munhu waMwari mukazozadza makate nemakate

231 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
emafuta kutoshaya pekuisa."

Zvaitaurirwa mukuseka asi chaitova chokwadi kuti ndakapa zvakaoma


Mwari havana kunyarara.

Manje wangu mwana mufundisi hanzi "Mama kungoti handina kuziva kuti
mumota manga makanuna kudaro dai ndazviziva ndati mugare mapiwa
zvinhu zvenyu kuseni nekuti ka rice kenyu hapana kwakambosvika kaperera
mumazino chaimo. Apa ma tomato sauce nema salad zvozubuda tapedza
kusvosva moyo."

Aiva majokes zvawo ndizvo zvavaiva pastor vakanga vakasununguka


zvekuti ndakatozogonawo kusheya navo zvaidya moyo wangu. Ndakanga
ndisina kumbowana nguva yekuvaudza zveupenyu hwangu kunyangwe
mukomboni imomo hapana wandakanga ndambotaura naye. Vaingondiziva
samai Richard ve cobra asi hapana akambozvitsvaga kuti Richard wacho aripi.
Pastor ndivo vakatozobvunza rimwe zuva kuti vanongonzwa kuti mai
Richard asi havasati vamboona Richard wacho kana baba Richard kana
varipo. Chakaita vazobvunza zvaRichard inyaya yephone call yandakanga
ndatambira kubva kune umwe mwana wababa Richard aiti aida kuuya
kuzondiona. Chokwadi akanga akafanana naRichard wangu chaiye
ndakatombobatikana. Ndakavaudza nezva Dillan Mpofu ndikatovaratidza
ma pictures ake vakatondiudzawo kuti vaimufananidza na manager webank
ravaishandisa. Ndipo pandakazotora mukana iwoyo to share with him my
sad story. Ndakashamisika vachiti Reginald anogona kuwanikwa kana chete
ari mupenyu. Handina kuzvitora hangu serious nekuti pa technology
ndakanga ndakati sareyi hangu handina kumbowana nguva yekutevererana
nazvo.

Ndakatozoshamisika rimwe zuva vachitotaura vachiseka hanzi "mama


ndava ne new facebook friend anonzi Reginald Jameson Smith. He is a doctor
anogara kuCyprus."

Ndakambofunga kuti semunhu wekufara pamwe vari kungojokawo namai


vavo asi ndakazoona ndotumirwa ma pictures wane zvaari dublicate ya
Richard kunyangwe na Dillan wandakanga ndangoona pa video call.
Ndakapiwa phone number asi ndakabatwa nekutya kukuru kuti ndinotanga
kutaura naye ndichiti kudii. Pfungwa dzangu dzakamhanyira kuti pamwe

232 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
aitova ne bitterness yekuti ndakamutengesa nekutya responsibility.
Aizozvinzwisisa here kuti ndakazviitireyi. Ko kana aizondibvunza kuti
nemhaka yei ndakasarudza kutengesa iye ndaiti kudii. Ndakafeela bad
zvandisina kumbobvira ndakaita mazuva ose andakanga ndisina kuziva kuti
ariko mupenyu. Akazofona iye ndikatombotya kudaira phone akadzimara
aneta. Pastor ndakavaudza kuti ndaitotya kutaura naye vakandipa mashoko
eshingiso vakati vakanga vatotaura naye kare and all was well. Akazoita
zvekuisa message

"Mommy please answer my calls. I cant wait to hear your voice please."

Kungonzi "mommy" koga kwakandipa kushinga. Ndaifunga kuti


ndichazongosvika pakufa ndichinzi mommy nevana vevamwe. Paakaona
ndavhura message akabva atofona. Haana zvakawanda zvaakataura asi
akangoti "mommy im happy i found you. Ndiri kuuya kwamuri mommy"

Takaita mazuva tichitaura pafon asi nyaya yake yaingova yekuti "mommy
pane zvandiri kugadzirisa ndiri kuuya kuzokuonai"

Christmas yakanga yava kusvika ndipo pakazofona zvakare Dillan achiti ari
kuuya kuMvuma. Akakumbira ma directions ndikamupa vakauya zveshuwa
nemubhuradha wake. Ndakatadza kuzvidzora ndafunga mwana wangu
Richard. Asiwo pane kamwe kamufaro kakaitika mandiri pandakaona
vakomana ava veropa chairo remwana wangu zvisiri zvekumboti mwana
wababamunini kana babamukuru. And vairatidza kuti vana vanobva
kuvanhu. Ndakambobatikanawo nenyaya yavo yavakandiudza yemakuriro
avo ndikatoona kuti pakanga pasina musiyano nevangu. Vakandikoka
kuChristmas asi ndakavaudza kuti handina shuwa nekuda kwemukoma
wavo wandaitarisira. Kusununguka koga kwavakanga vakaita vana ava
kwakandipa pfungwa yekuti ayewa mwana wangu anofanira kuva pane
hama dzake. Yemuzukuru wavaiti mwana waRichard ndiyo yakapotsa
yandisimudza kuenda navo musi iwoyo asi ndakazongozvidzora.

233 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakatumirwa maphotos ake muphone mangu andakaita kunge ndichaita
husiku hwese ndichingomakissa nekutaura nawo. Akanga atungamirira
mwana wake kuhama dzake Richard and chandakayemura ndechekuti rudo
chairwo vanhu ava vaiva narwo kunyangwe ndakanga ndisati ndavaona vose.
Nyasha vakamugashira achiri mwana wemhandu yemumusha vasati
vatomboziva kuti iropa ravo. Asi havana kutarisa kutadza kwamai vaNyasha
asi vakanzwira mwana. Chakanga chatova chimhandara chakanaka
chakasvika.

Ndakatenda Mwari ndikati chokwadi kana ivo vavhura hapana anovhara.


Kudzungaira kuya ndega ndega kwanga kwava kuzochipera manje. Muchiti
dzimwe hama ndakanga ndisina hama here? Ndakanga ndiinadzo hanzvadzi
dzamai vangu vakanga vatamira kuSanyati kunorima cotton vachibva
kuHurungwe. Iniwo baba vangu handinawo kumbovaziva handina kuudzwa
nezvavo kusvika mai vangu vazongoshaika. Surname yekuti Samuriwo
yandaishandisa yaiva yamai vangu naivo vana sekuru ivava inova
yandakazotoresa Richard birth certificate nayo. Asi kuwana kwandakaita
hama dzevana vangu iii kwakandipa kamufaro. Ndini ndakaita hangu
chiramwa asi chakaramba Museyamwa kundiroora nekuti vaiva nemukadzi
asi havana kuramba kutoresa vana vavo ma birth certificate. Hameno kana
vaizoramba havo asi handina kumbovazama ndakanga ndakavatsamwira.

Ivo vana sekuru ivava pavakanzwa kuti ndaita pamuviri pemurume


wemunhu vakabva vatogara vandivharira kunze vakati vachazoda kutaura
neni musi uchauya muridzi wenhumbu kuzoripa mhosva yake.

Chero pakafa mwana wangu shoko ndakavatumira havana kana


kuzungunuka ndikamuviga ndega nemahwindi akaita mudeme mudeme
akavigwa segamba. Baba vemusikana wacho vakamira mirawo asi mashoko
ekuti ndivo vakanga vaurayisa mwana wangu akandibaya pamoyo.

Vakomana vekwaMpofu pavakadzokera vaifona daily vachida kungonzwa


kuti ndiri seyi. Ndaizoda kuona rumwe rudo rwakaita seyi nhai grocery
vakanga vauya vakandisiira mota yakauya ichishinyira. Ndakazviudza kuti
handizivi kuti Reginald aizouya zvachose here kana kuti aizodzokera asi
chakanga chopisa moyo wangu ndaida kumubatanidza nehama dzake. Kuti
zvigoitika futi zvakaitika pana Richard kutambura ndega paakashaika aiwa
bodo. Kusingori kuti ndaida kuti ave nevamwe vake pakusuwa chete asi kuti
kunyangwe paiitwawo zvakanaka mumhuri kana muupenyu hwake avewo
nevanomira naye. Ndakanga ndatona hunhu hwemhuri yose muvakomana

234 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ava kuti havasi type iya inotsvinya nekuzvida nekuzvikudza ayewa. Saipapa
pa get together yemhuri ndaitodawo kuti doctor vabve vakwanawo
pamamonya ipapo. I was going to make him fit in nomatter what it takes.

Kwete kuti ndine zvandaida kuti awane nhaka kana zvinobatika aiwa asi
kungoti kungoita belong to a family. Ndakazviona ini kurwadza kwazvinoita
kushaya wekwako anomira newe. Kushayawo anoti chimbozorora uzvere
ndibate nepapa kana anoti chimbofanogara neapa uchitsvaga pako ndakanga
ndisina. Ndaiziva hangu kuti mwana wangu kutambura haatamburi
kunyangwe ndakanga ndisati ndamuona asi he also needed his family.

Hapano zuva racho rasvika handina kana kudzivata ndichingopepuka hana


ichirova. Ndaiti ndikangofunga kuti ari kuuya ndainzwa kupera simba
mumajoin ndotombogara pasi chaipo. Nguva dzichiswedera ndakafonera
vanin'ina vacho kuti handifungi kuti ndichazvikwanisa ini. Apa anga afona
na 2pm achiti ava muHarare. Ndakatomborwara chaiko kuita running
stomach. Pandakazotaura nevakomana dzanga dzatova kuma 5 chaiko
zvekuti kana kuri kusvika akanga asisina nguva ngani. Vakandisimbisa
vakomana vakati vava kutopinda munzira kuuya. Ndakazama kugeza kuti
mujaya asvike ndichiratidzika asi ndakashaya kana simba rekuzora mafuta
ndikapindwa nechando ndikagara pamushana kuita murwere chaiko. It
wasnt as easy as i thought. Chokwadiwo vakasvika vakomana. Tichiri
kukwazisana mukoma wavo akabva asvika. Haaa ndakashaya kuti ndadonha
seyi pachimugomo chandakanga ndakagara ndakangoona ndava mumavhu
chaimo ini ndakanga ndagara ndiine shena kare yekugeza ndikasazora
mafuta. Kutya kose kwakazoshanduka ikava misodzi yemufaro. Mwana
wangu anga auya zvachose. Vakaratidza kufarirana nevanin'ina vake
ndikaonawo kuti naiye akanga ari munhu ane mutsa. Ko ndakanga
ndapedzisira kumuona aine mazuva ka azvarwa. Apa kwanga kwatongova
kufananidza nemamwe mapatya ababa vake aya uye kuti na Richard.
Ndakanzwa votaurirana kuti "munoudza vana maiinini kuti baba
chaivovauya "ndikaziva kuti plan yangu yanga yatotanga iine cheyedza.
Ropa ravo rakanga radairirana. Takazosara tava toga ava mapatya
akadzokera vachiti chifumi chamangwana 24 December basa rakanga
rakawandisa rekugashira vayenzi vaiuya kumutambo. Reg akati haaikwanisa
kuva navo aida kumbotamba kisimusi namai vake. Handina zvandakataura

235 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
hangu asi kuti ndakangoti nechemumoyo ndichayedza nepose pandinogona
kuti avepo ndiwo waitova mukana wekusangana nehama dzake
dzakaungana. Chandisina kumbonzwa ndepavakataura nezvababa vavo
kana ka1 zvako. Iniwo handina kumbobvunza kuti vachazenge varipo here
pamutambo asi semaonero andakazviita vanenge vakanga vasingauyi. Asi
ndakati chete ndaizobvunza munin'ina wacho kuti ndiite kuti mwana wangu
aonanewo nababa vake chero riri benzi. Akambotsaratsara asingadi kuenda
asi yekunoona Nyasha ndiyo yandakazomupina nayo. Akanga adikwa
mwana wacho akabva atonzi "vakabvuma ndiye achaitawo dangwe rangu."
Ndiko kumuhwina kwandakaita kuti tiende kumutambo. Ndine African atire
yangu yandakanga ndichangosoneserwa namai vaya vekuuya ne grocery
ndakanga ndisati ndatomboipfeka. Ndakanga ndanzwa runyerekupe rwekuti
musangano wemadzimai wekuchurch waizovako August kwaizoitwa contest
yema African attire saka ndakanga ndatoti zvangu zvabhadhara. Ndiwo
waizova musangano wangu wekutanga kubva ndatendeuka. Haiwa yakanga
yakasonewa zvine unyanzvi uye nemucheka wemhando yepamusoro
unonyatsokwana kwete kamucheka shungu kekumanikidzira. Kugoti kufitwa
ndakanga ndisina hangu dambudziko. Ndakanga ndangoripima chete musi
wandarivigirwa handina kuzomboripfeka futi ranga ramirira modelling kkk.
Mabag aReg akanga asati ambomavhura kubva musi wa23 waasvika
taimboita zvekuonana. 24 takaswera mu Mvuma mutown tichiita
christmas shopping. 25 ndakamuka ndikasiya akavata taingovata tose mu
bedroom mangu maiva neka 3 quater bed saka pasi paisara kamwe
kamukoto kekuti munhu 1 aikwana kuvata. First day ndakawaridza pasi
ndikanzwa ndomutswa pakai pehusiku hanzi mama mubhedha wenyu
ndautadza regai ndivate hangu pasi. Saka musi wa24 manheru ndakabudirira
kumunyengetedza kuti tinoo a Nyasha akabvuma. Ndakamuka ndikaita
zvose akavata ndikageza ndokumuisirawo mvura yake yekugeza
ndokuzomumutsa. Paakadzoka akasvika ndichipedzisa kupfeka
ndokusheedzera ari muliving room kuti pane suitcase hombe yaivamo yered
yakanga iine zvinhu zvangu ndivhure. Asi paakaona attire yandakanga
ndakapfeka ndakabva ndanzi ndisachinja. Bva iye mapfekero acho aiva
emunhu amanikidzwa chaiko asi he looked simple and smart hake.
Ndakangoti nechemumoyo chero ukapfeka masaga mwanangu i dont mind
chandiri kuda kusvika newe kune hama dzako. Chandakapfeka musi iwoyo
pazvinhu zvaakauya nazvo kabhutsu kakanga kakakwirira zvakadzikamira.
Tava kuda kubuda Zex akabva asvikawo achiti akanga anzwa nevakomana
kuti Reg akauya asi akanga asiri kuenda kumutambo.

236 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Akambova emotional achiona mutwin we best friend yake asi akazo dzikama
hake.

"Ndakakokwawo ku gettogether asi pandanzwa kuti mukomana akauya


ndatoti regai ndiuye ndizomuona avo tinogara tichionana Ndatya kuti
ndingazongonzwa kuti akatodzokera"

Mwana wangu ndakatoona ipapo kuti aiva nerudo. Haana kumboratidza


kushora kana kusafarira Zex nairo dread rake rezharazhara akamufarira
akadaro. Ndakanzwa votoudzana zvekuzofamba vese vachiratidzana
nzvimbo. Takazobva tava vatatu paya kuenda kuGweru ndakadya front
window mumoyo mufaro uchipfachukira. Zex aiti ndekekutangawo
kusvika pamba pacho asi adress aiva nayo hake uye airatidza kuti mugari
wemuGweru chaiye nekuti hatina kumbotenderera. Takatanga kuona
matende maviri nepamusoro pedurawall tikaziva kuti hatina kurasika. Gate
rakanga rakavhurwa kare takangopinda tichiratidzwa pekupaka bmw
yemujaya wangu yaiita seyabuda muplastic zuva iroro ndikati pamamonya
ipapo pfeee. Ko paiva nemota dzine mazita anotaurikaka nemitupo yacho.
Mwana wangu akaitawo gentleman akauya kuzovhurira Queen vake door
remota. Ndiro zita randakanga ndapiwaka aiyedza mwana wangu kuti
ndione kuti anondikoshesa. Matwins akauya patakanga tiri nemuningina
wababa Richard nemudzimai wake akanga akazvitakura uye airatidza kuti
pazera pane mufambo pakati pavo. Zvose izvozvo handina kumbozofunga
nezvazvo ndakaputirwa nekusununguka kwevanhu vacho kani
kwandakanga ndaona kare muvakomana. Smairi dzacho dzaitongokuudza
dzega kuti you are welcome.

"Dad namama, ava ndimama ava mbuya va Nyasha. Takapedzisira paya


tichiti tawana number yavo kuna Rasta. Ehh takazoendako musi wa 22
tikanovaona kwavanogara ku Mvuma vakatiudzawo kuti mkoma vari kuuya.

237 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Kana muchiri kurangarira paya tichiti mai Nyasha vachitaura kuti
vakambonzwa sekuti baba Nyasha vaiva nemutwin, ndivo mkoma ava
vanonzi Reginald vanga vari ku Cyprus vakatosvikawo musi wa23
tikanosangana navo pavakasvika tikazivana."

Akaitwa ma introduction ipo paya iii presence yedu yakafadza couple iyi
and I fell in love with this family. Pakamboita kadisturbance hameno
zvakanga zvaitika asi vakazvivhara zvikangoita sekuti hapana zvakanga
zvaitika. Akazodzoka Derrick achitaura kuti pane zvakanga vaitika pana Zex
nemukwasha iye akazvinzwisisawo akabva awoneka. Takazofamba tichi
introduswa kuvanhu kusvika tapinda mutende mandakaita mahwekwe
nababa mwana. Havana kana kusimuka pavakanga vakagara and waitoona
kuti munhu avhiringika. Vakazoungana semhuri yose kusanganisira vana
varoora nemukwasha tava kuziviswa kune vakanga vasina. Ndipo
pakazosangana mwana wangu nababa vake. Mudzimai wavo museyamwa
akavhiringika ne presence yedu hameno kuti akanga atoona kutorerwa
murume here. Tsamwa yavakaridza ipapo vachitofamba kuenda
ndakaona kunyara panana Mhofu kana vari sababa Regi vakangodzungudza
musoro.

" Heya vakomana manga makanyarara muchida kuzoti rova ne surprise


chokwadi? Sunungukai zvenyu mhai masvika pamusha. Ahhhh ndokugona
uku mhai. Zijaya rangu. Ahh kutoshaya kuti ndofara ndichidii chaiko ini.
Pano ndipo paHeadquarter musha wakakura chose uchauona hako.
Sunungukai zvenyu Mhofu yemukono, zienda netyaka. "

Vakapamha kumupa hug futi ndikaona kuti shasha yaita kuzungaidzwa


nemufaro. Sezvandambotaura kuti we were a threat kuna mai Daniel
vakabiritsa godo ravo pajikerere ipapo. Yakarira mhere vadirwa mafuta ahhh
ndipo pandakanzwa mweya wangu kuenda kure. Moziva henyu handina

238 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kumboita moyo uya wekuti zvaiwana ngwarati asi ndakanzwa kuya kusunga
kunoita mudumbu. Ndakagwadama pavakanga vakati rabada ndini
ndakabvisa shirt yavo vamwe vose vakanga vapererwa kushaya kana
zvekuita yaingova "Jesus""maiwee""nhai Mwari wee" munhu otovhara
kumeso akatarisa kudivi. Asi kuita sekuti vakanga vapiswa nemavivi emoto
hembe kunamira yaitobva neganda. Ndofunga akanga anyatsokwata chaiko
mafuta acho. Hapana akambobvunza kuti zvaita sei nekuti yaingova nyaya
yakananikwa pachena ko poto yakanga yoita seyanamira mumaoko
amuzvina mhaka vanga vachiti wundundu kunge huka yadirwa mvura.
Yakaita bongozozo matwins achida kukwapaidza munhu hanzi toda
kumuuraya zvawaita baba vedu. Ndopaunoona kuti vana vaida baba vavo
ivava. Regi anga asati ambotaura nezvababa vake asi ndakaona mamhanyiro
aakaita kuti akanga asingambovashuviri kufa. Upenyu chaiho ndakaona
pasisina ini pakatakurwa Mhofu vachinoiswa mumota. Ndipo pandakazoziva
kuti mukwasha aiva doctorwo uye aiva ne private hospital yake ndiko
kwavakaendeswa. ndainzwa kurwadziwa chaiko sekwandakaita
pandakashaikirwa nemwana wangu Richard. Ndakachema zvekurwadziwa
chaizvo ndikazvituka kuti seyi ndisina kuteerera Regi paakati tizoenda imwe
nguva. Ivo vekupisa murume vakanga vaduka mukona nepoto yavo
mumaoko ndofunga vakanga vachimboseredzera mbama yavakakwaturwa
naDerrick. Kutaura chokwadi varoora vangu vaindinzwisa shungu pavaibata
ndaida kuti mapurisa azosvika chimukadzi chacho chambokwapaidzwa.
Mainini ndivo vakazonditora vakaenda neni muguest room
vakanondisimbisa.

"Mainini kutaura chokwadi i will never forgive myself pakawana chinoitika


kuna museyamwa. Ndini ndakonzeresa bongozozo rese iri nekuuya
kwandaita. Dai vaiziva havo kuti tanga tisingatozivi kuti murume wavo ari
pano ini chandanga ndichida kungoti chete mwana wangu asangane nehama
dzake dzakaungana. Anga atomboramba mwana wangu dai
ndangomuteerera. "

"Hapana chamambotadza maiguru mungazviuraya nekuda kwemunhu ane

239 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
shanje here. Vagara ndiwo magariro avo aya chero musipo."

Ndipo pandakanyeurorwawo magariro avakanga vakaita kuti pakanga


pasina proper marriage vaingogarisana chete.

"Mugoona zvenyu babamukuru munhu anga ava kutodawo kuita settle down
manje vaigara vachingoudza munin'ina wavo kuti neuyu zvaramba. Iye
ndiye aingoti "chimbomupa nguva pamwe zvinochinja" asi ivo babamukuru
vakasviba moyo kare. Zvino zvazvadai zvichamboda kuudzirwa here
maresults."

"Chandinongonamata kuti vapore mainini."

"Vanoita right maiguru ngatizvisiyei kumusiki"

Mapurisa akadzimara akasvika vepoto yavo ichingova muruoko vakaita


wekumvonyerwa mu jipi magogo akazoita zvekusvitswa mumota vanga
vofamba nema pulling socks. Patakatevera kuchipatara takawana baba Regi
vasina kumuka. Vamwe vose vakabuda hanzi timbonorohwa nemwando
ndikasara ndakagaramo ini simba ndakanga ndisina ini nekuda
kwezvandaiona mberi kwangu. Ndakanogara nechekumusoro kwavo
ndakavayeva. Ummm haa hameno kuti Mwari akasika vamwe vanhu seyi.
Handsome kubuda pamunhu akazvimba kumeso moti kunaka kuri koga here
imi. Ko vanga vatsva rimwe dama zvichienda nekunzeve uku. Ndakatora
face towel mupurse mangu ndikanorinyorovesa ndikadzoka ndichipukuta

240 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
masides emiromo yavo anda akachenuruka uye misodzi yanga yakaomera
kumeso hapana akanga azvifunga kana kuzviona. Vakaita sekuvhinyuka
ndagumha pakanga pane bandage nekubva vatosvinura maziso.

"Eish sorry museyamwa ndanga ndichipukuta kumeso kwanga


kwakanyangara. Sorry ndakudzimbirai"

Vakangoita kasmile kakaneta misodzi ikamokoteka ichidzika kupinda


munzeve. Chero pandakabvunza kuti mava kunzwa seyi vakadaira kuti vari
nani mumisodzi imomo. Ndakachemawo ini ndikazozvishingisa kuti ivo
vavewo ne tariro. Ini ndini munhu akafara manje nekuti kumuka kumuka
kwavo koga kwakanga kwakandikoshera. Vamwe vakazouya ndanguva
ndagara hangu navo ndakavarinda kuita sekuti vemafuta vaigona kutevera.
Vanga vasisachemi havo asi vaitadza kunditarisa mumaziso. Handina
kuzobva from his bedside ndaiuya ndoswera navo ndonodzoserwa kumba
manheru naRegi makuseni ndomuka zvakare ndichipinda mumalifts
ndichiuya. Ndaiona improvement daily ndichingotenda Mwari. Rimwe zuva
ndakawana shasha yakakurura nhumbi dzemuchipatara dzakaiswa
pamusoro pemachira hanzi hadzisi kundiitira. Regi ndiye akatozodriva
akanotenga mutown mashorts maviri ne ma tshirts akaregedza akati wandeyi.
Babamudikiwo vakazonotora dzimwe ku Kwekwe kumba kwavo.
Ndakangoti vaende nadzo kumba kukasara shoma chete. Regi akasvika
akawirirana na doctor wechirungu waakasiirwa nemukwasha kuti ashande
pasi pake aive pa attachment. Saka ndaisvika makuseni ndovaisira mvura
yekugeza ndoburitsa nhumbi dzakachena. Dzavanenge vakurura
ndonowacha kumba kwa Celine nekuaiyina ndodzoka nazvo kuitira
kuzopfeka the following day. Pachikafu pakanga pasina kana complaint
paidyiwa variety chakabikwa zvakanaka futi. Muroom mababa Regi
maitouya 2 plates neyangu. Vaiuya kubva kumba vaitongouya havo nacho
zvemutemo. Ko vaispoiliwa from all angles chinobvira baba ivavo asi kuita
sekuti parwara mwana mudiki. Ma Pizza akanga ototifinhawo nesu ko
taimazivirepi. Mamoyo aiti chero akasauya she made sure kuti atumira taxi
ne pizza daily.

241 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Daphne nemukwasha na Derrick nemuroora vaifona pafon yangu daily
vachibvunza kuti baba vavo vari seyi vobva vataura navo. Dillan aiuya pano
neapo pressure yaimuwandira ndakanzwa namamoyo kuti aiswera ku office
asi aitoita wemapiritsi kufona rutatu pazuva.

Kupora vaipora zvakanaka chose asi kuloosa weight manje ndiko kwakanga
koshungurudza vanhu. Kumeso kwakanga kwapora zvakanaka asi vanga
ndiro rakanga richakati bhaaa. Ndakatombonetseka ndikambofeya Regi kuti
havana kuzozongerwa here akatoseka hake.

"Mama dad vari clean ava pano mutemo unoti hapana anorapwa asina
kuitwa HIV test chero flue chaiyo. Hanzi toitira safety yevashandi kuti vabate
murwere vachiziva. Ndicho chinhu chekutanga chatakaita tichisvika pano.
Kuloosa weight ndoona inyaya yepfungwa vane zvavari kufungisisa."

Ndaita kutura befu chaiko bva matarisirwo andakaitwa na Regi


akangodzungudza musoro achibuda.

Chero padumbu nepachipfuva pakanga papora asi pazamu pavo painzi


munyatso wakanga wadzurika ndipo painetsa kupora painzi pakatsva
zvakadzika. Ndakapiwa mushonga wekupota ndichivazora na Celine ndiye
akanga ava kunyanya kuuya dzimwe nguva aizoita zvaaiita instructor Regi
vakatarisa zvavo vachinyora. Mushonga waiva wekudzima mavanga uye
vaiti kulight skin seyamhofu hazvitori nguva. Ndaivazora kuseni koga koga
pavanopedza kugeza ndozovazora zvakare manheru ndava kuenda. Bva
ndakanga ndaomeserwa ndainzwa kutekenyedzwa muviri wose
ndichivazora mushonga. Ivo vaibva vatsinzinira maziso kani ndaipedza
ndatambura. Ndaingozvitora pakuti sevanhu vakambodanana
vachisimudzirana mafeelings iwayo zvaingova mupfungwa. Kufamba
kwemazuva ndakanga ndisisauyi hangu mazuva ose nekuti vakanga vogona
kuzviitira zvose. Vakanga vapora ava kwangosara pazamu ipapo chete.
Chandakaita kukumbira babamunini kuti aunze dzimwe nhumbi dzakati
wandeyi. Ndaiti zuva randinenge ndauya iroro ndaisiya ndawacha dzose
ndoayina. Musi wavakabuda muchipatara ndakanga ndatovata ndaudzwa na
Regi kuti dad vari kubuda mangwana. Ndakamukira ndikanowacha nhumbi
dzakanga dzakasviba zvekuti 10 yakasara yochaya dzatooma ndatorongedza

242 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
tamirira vaizouya kuzovatora. Vakasvika takatogara hedu tichiita nyaya tiri
vatatu nemujaya achitondiwanzira hake.

"Dad ndafara mapora zvakanaka. Mama mukasangwara ndimi next nema


cobra enyu amunobika iwayo muchakwaturwa neparafin."

"Vanobika cobra nhai?"

"Zvenyu dad ndakanotarisa mushop cobra inongoita same price neyavo


iyoyo yemushop yakatochipa futi ne 50c. Ko vakangozvitengera mushop nhai
pane kuda kundipisira queen vangu"

Ipapo aitaura achindihen'a achindiswededza padhuze bva kukiswa ndaiona


nhamo ko ndaizvizivirepi dai asina kuuya mwana wangu.

"Haiwawo havaidi yemushop vanotoziva komboni yose kuti cobra yekwamai


Richard inopenya. Mapenyero anoita mumba mangu iwo aya ndiwo anoita
komboni yose. Plus inonhuwirira futi"

"Makazvidzidzepi mommy."

243 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Mwanangu nhamo inokudzidzisa zvose zvose."

"Ndavapo mama ikozvino ndokuchengetai ini you are now my responsibility.


Zvecobra tombosiya"

"Hahaha cobra yangu handiregizve. Zvatova muropa."

Akangodzungudza musoro akanditarisa vanhu vachipindawo 10 yakanga


yachaya. Takatozonoswera tava kuLundi Park ndokuzoperekedzwa
kunosvika kuMvuma na babamukuru navatumbwa nababa Regi. Vose kaiva
kekutanga kusvikako asi ava vakazouya mava kutaridzika ndatengerwa
couch rinogara vanhu vatatu rine kona re leather, gas stove uye zimubhedha
rakabva rangozadza karoom kacho kose. Machira ndichataura here asi kuita
matutu matutu. Chikafu ndanga ndoita chekupfachura. Kuita kwaMwari. Iye
aigara hake nemunin'ina wake asi kwaingonzi mama ndokutsvagirayi imba
yakatambanuka. Ndakamuudzawo hurongwa hwaivapo hwekuti dzimba
dzepaSavvana dzaida kutengeswa asi dzaizongopiwa vaiwanikwa varimo.
Makuhwa aiti muna April ndipo paizouya DA saka kwanga kusiri kure.
Akazongoita kuti ndivewo comfortable pandaiva ipapo. Akatsvaga electrician
akazondiisirawo magetsi ndokutengerwa kafridge ndanga ndonwawo mvura
inotonhorera inopedza nyota. Ko kuita kwemari ndakanzi ndisachanwa
mvura yemumugodhi pose pandaibva kuchipatara ndaiisirwa 40litres dzetap
water mu boot kozoti ma case kana matatu e mineral water yekunwa. Isina
kunyatsogashirwa inyaya yemunda wejambanja wandakambowana
kuShurugwi ukazoita politics vanhu vakambomiswa. Saka neighbor wangu
akandifonera achiti vakadzoserwa zvakare vanhu vava kupiwa ma offer
letters vachitovaka. Ko waiva munda wekutamba here raiva purazi chairo
ndakanga ndangochancawo. Ndaida kungovaka round yangu nekaflat
ndonozvigarira. Asi ndakangonzi "munonogara nani ikoko mommy ini

244 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
handikudi. Ndakauya kuzogara nemi ini moti makuda kundisiya muchienda
kupurazi. Saka better ndidzokere hangu ku Cyprus basa rangu ririko"

Ndakabva ndaita nowhere chaiko kuti ndifunge kuparadzana nemwana


wangu ipapo pakandiremera. Akazotaura zvestand yaaida kuvakira baba
vake. Ndakaona kuti kutanga andiudza yaiva nyaya yekuti pamwe
ndinogona kurambirana nazvo asi ahh ini handina kana kumboona chakaipa.
Ndakatoona uri mukana wekuti kana oda kundiitirawo ndomuti ndoda
kupurazi kwangu. Ndakaratidzwa plan yacho aiwa yakanga yakanaka.
Mapatya akzotiwo vanoda kubatsirana naye ndikaona team yaDanny
yakasimba chaiyo isingazozungunutswi.

Vakaenda kumuchato ku South Africa ndikasara namainini mazuva avo


ekupona akanga asvika. Vakasara vopona musi wemuchato manheru
chishamiso pachipatara painzi kubva zvayavhurwa matwins akaponerwapo
aingova emukwasha chete. Vakapona ne opp zvakazondipa kuti ndigare
mwedzi miviri chaiyo kuGweru. Kwete kuti ndaicomplaina ayewa ko l felt at
home zvangu ndiriko ndichibatsira nemoyo wose usingagunun'uni. Nababa
Regi taitaura vaifona chose wainzwa voti "ndati ndingonzwa hangu kuti muri
seyi ndatumirwa etym nevana manje ndogofonera ani hangu. Ivo
ndikavafonera vanokata vofona back ivo saka hameno kuti vanoda kuti
ndiishandiseyi."

Taingotaura hedu nyaya dziri general dzekubusiness kwavo nekubvunzawo


vana 4 kuti vari seyi. Hapana havo pavakambotaura nyaya dzakatsaudzira
ipapo ndinganyebe. Asi ndakanga ndakutonzwa kuti vakarega kufona
ndainzwa kutosuwa voice ravo nhai. Mumwe musi ndakaerekana
ndahumana kuna mainini kuti "nhasi museyamwa kana kumbofona
ndofunga havana etym"

"Muri kuvashuva handiti?"

245 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Kana handisi kumbovafunga ini. Kungoti munhu anogara achifona mazuva
ose saka ndangoti pamwe havana etym kana kuti pamwe miviri iri
kutodzimba."

Kwaingova kuvanda uku miviri igodzimba pagoshaya aziva nemadirwo


avaiitwa ivavo. Ndakanga ndabatwa chokwadi ndakanga ndichitovafunga ini
kujaira kumuka ndichinzwa voice ravo daily.

Mainini misikanzwa vakatora phone yangu ko ndaisaisa password


ndaigoisira ani hangu. Kuzondipa yava kurira vatofonera Baba Reg
ndomasevhero andakanga ndakaita.

"Hello mhai. Regai ndikufonereyi"

Vakabva vatokata havana kufona ipapo.

"Mainini ndo chii chamaita nhai vasikana?"

"Ndaona kuti mungakuvarira mukati nekufunga chimwe chenyu ndikati


regai ndibatsire hama."

"Hamunzwi imi mainini ndazviona. Chimwe chavo chiri kuShurugwi uko


chinodzoka manje manje."

246 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"hapana paya maiguru. Bamukuru vanonyatsoda imi vaya asi
hamungozvitarisi chete. Kungoti semunhu ane past yake vachiri kungoona
sekuti havagashiriki asi vachinja wee. Ndakutoita makuhwa ipapa
momboziva kuti mhuri yose inoda kuti muve mose na babamukuru? Bamnn
venyu vanondiudzazve. Imi hamuoni here masudurukiro akaita vanhu
kuchipatara pavakaona kuti muripo. Ndizvo hazvo hazvo kuti vanhu vane
mabasa avo asi nyaya hombe yaiva yekuti muwane nguva muri vaviri. Chero
na Regi chaiye pane paakatombotaura nababamnn vake kuti dai zvaiita
sekuda kwake baba namai vake vadzokerana. Anokudai mose hongu asi
point yake yaiva yekuti aizonyanya kufara mukave pamwechete. Ndati
makuhwa aya mainini musazonobvunza mwana. ndangoti mugare
makagadzirira zvichauya and tose se mhuri we wont take a no for an answer.
Haaa tingatoita plan. You are the best for babamukuru and
makatogamuchirika mumhuri nechekare. He is a changed man and vava
focused vanga vachitongodzoserwa shure nemupengo uri muchizarira uyo.
And ne support yenyu vanosvika kure babamukuru. Munodiwa mhai kubva
kumusoro kusvika kuchanana chemhuri kusvika kuhuku kiti nembwa
dzemumusha"

Takamboseka hedu statement ravo rekupedzisira vakazoti

"Ndizvo hazvo munenge muri mai kwandiri asi hazvinditadzisi


kukuonesaiwo zvakanaka zvamunenge musingaoni."

Ummm haaa ndakatya nevanhu ava. Shuwa kundirongera here. Ivo baba
Regi kana zuva rimwechete zvaro ravakamboratidza kuti vane zvakadaro
zvavari kufunga uye zviri kutaurika mumhuri. chero pavakazofona
ndakaita kukakamira veduwe ndanga ndongopindura zvavaibvunza.
Vakazondiudza kuti vakanga vaendesa delivery kuGokwe chaiko saka phone

247 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
yakadzoka yapera moto. Saka pakafona mainini vakanga vachangoiita on.
Hatina kumbotaura zvinoenda kure dzakaramba kubuda nyaya dzacho.
Vakatoseka pandakabvunza kuti yakadii miviri hanzi "ahh mhai miviri
yakapora ndinhasi here chero dai ndanga ndiine pandinonzwa ndimi
maitoita wekutanga kuziva"

Mazuva akafamba zvawo imba yaMhofu ichivakwa. Ini ndaivapo paLundi


and vana vaikurawo zvakanaka chose. Opperation yamai vavo ndiyo
yakamboda kunetsa zvekuti vakaita 2 months dzose vachingoyuwira.
Bamnini vangu vaimboshinga vakapedzisira vadudza hanzi "maiguru zvava
kurema izvi zvatichaita birthday remwana ndichingovata ndakagonya."
Chero ivo mainini vakanga vongoti "Maiguru zvandichasiiwa nemurume ko
tikangoita zvine basa reyi hatiitisi". Iniwo ndakanga ndisina experience
mazviri ndaigoziva kuti kuitisa kusvika papi here. Ndakangovapa advice
yekuti go ahead ya doctor yakangonaka hayo kuitira kuti pasazoita
zvinonetsa. Ndakavanzwira tsitsi veduwee asi musi watakadzoka ku checkup
iri Friday mainini vanzi vanzi opp yavo yava perfect bamnn vangu vakafara
veduwee. Saturday ndipo paiva ne official opening yemba yaMhofu.
Ndakavanyengera maiini ndikati vasare kuitira kuti bamnn vasazovata ku
south veiw nekuti ndiho hurongwa hwaivapo kuti munhu wese aizonosiya
hope kumusha mutsva. Takanga tambofunga kutosiya takwidza ma cotbed
evana tikazonyara kuti zvinga tozoita sekuti paita desperation kunyangwe
yaivapo zvayo.Takavasiya vari pamba tikaenda hedu. Ahhh museyamwa
vakandirwadza ini surprise yakavashungurudza kusvika misodzi yangu
yadonhawo. Dai pakanga pasina vanhu ndakavambudira ndovanyararidza
ndega. Ko kubva pandakaudzwa na mainini makuhwa ndakanga ndongoti
chero kungovafunga ndainzwa kunanairwa chaiko. Bva ivo kana kumboita
kana sign havo. Ndakazongoti pamwe ipfungwa dzevanhu ivo havazvifungi
havo. Ko kuzonzwa tushanje pandaifunga kuti pamwe ini ndikutofunga
hangu munhu wangu ari kutogaya kuti panodzoka madam kuchawagona
votangira papi. Neniwo yaiva first time kusvika pamba apa iiii
havaimbokona kuchema chokwadi. Maphotos akanga atosvika kunamainini
ndikaona msg

248 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
" Saka imi moti imba iyo yaitirwa mhofu vega here imi? Kutotaura kabisira
kuti baba namai garisanai pamusha apa kkkk"

Handina kupindura ini. Asi rakazouya zvaro bhomba randakanga


ndakamirira. Hanzi handigarimpano ndega unless kana muchiuya neni.
Ndakatozoita vekunyengerera kuti zuva iri rimbodarika nekuti iyi yaiva type
yekuti vaitobuda panze kunotaura kuti pano ndichange ndichigara nambuya
Nyasha. Kutaura chokwadi ini kubva pandakaudzwa namainini kuti Mhofu
vari kundida ndakabva ndanzwa kuvada. Regai nditi kubva ipapo ndanga
ndakarimirira zuva iri asi kuti ndaingoda kuti kana tichizogara tose zvoitwa
nenzira yakanaka zvsingashresewo kuvana vanga vakura. Ndakaona
vozeveerana nemwana wamai vavo patakabuda kuenda kune vamwe
vachipota vachinditarisa ndikaita hangu sekuti handisi kuvaona. Bvaa
ndakazogadzirirwa size chaiyo inokwana ndikaona kuti yaaa kune vanhu
vane misikanzwa uye vaitova very serious. Wangu mwana wekubereka kuto
wedzera urimbo pamusungo hanzi "mama muchaperekedzwa nadad ini
ndoda kuzorora mangwana kubasa". Ahhh akanga asina kuneta ndiyani nhai
chero ivo baba vake vaienda kubasa wani. Asi ndakafara paakavati vadzoke
nemota ndiyo yaaida kuendesa kubasa. Saka netime dzatakazosimuka
kwaingova kusvikoita uturn vachidzoka. Bva ndaizvinyepera hangu.
Ndakaona munhu kutodzokera kunokiya mota paakabva kuisa ma bag angu
mumba. Yakati yatanga chorus yacho kubva ndichitanga kubika kusvika
ndapedza. Pakudya munhu aimboti apedza kutsenga ndombonzi "matii mhai
please ndifadzeiwo". Mhinduro ndaiva nayo ini asi zvaizongoita here kuti
ipapo ndongoti ngatidananeyi hedu. And ndaitozviziva kuti kudana kwacho
kwakanga kusiri kuya kwekuti vanhu tombopinda mu courtship ayewa
kwaitongova kukavira bhora mberi. I was prepared to take my man back asi
ndaida kuzviita zvine hunhu zvisingazondishoresi nevana ko ndivo
vainyanya kuzezesaka. 12 yakachaya munhu kutodaidzira kuti ndipeyi
pekuvata ahh ndakapererwa. Ivo vanhu vakanga vasara Gweru kana
kumbofona kuti vabvunze kuti mafamba seyi zii yacho ndakatoona kuti yava
nechirevo. Chero pandakazovati ngatimbozama tione kana zvaramba
tosiyana nazvo ndakanga ndakutyawo kuti vatyaire that late. Ndakatora
hangu machira kuti ini ndivate pa couch ranga rakakura Regi ndipo paaivata
mazuva aanenge ambofunga kuzovata kumba kwamai vake. Ndakanga
ndabva ndageza hangu plus apa zvanga zvonetsa nekuti manheru ndaigezera

249 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
mumba muzidish zihombe. Ndakavaperekedza kunovata ndikasiya ndava
vhurira pekuvata. Ndakanzwa ruoko dzvii ndava kuda kubuda.

"Kana goodnight hayo here?"

"Ndataura wani kuti muvate zvakanaka."

"Ohh ok chirega ndidaire"

Musoro wakadziswa ndakatariswa mumaziso chaimo kusvika miromo


yasangana. Ndakakiswa pamuromo ndikanzwa kuzuzuma muviri wese.
Ndakashama muromo kuti nditaure ndipo pandakairasa. Ndakahakiwa
rurimi ndikasvetewa ahhh ndakaerekana ndavhara maziso ndikadairira ini.
Takabvutidzana mweya wekufema paya and kiss yacho yaiva yezhara chaiyo
tose zvedu we were starving. Ndakaerekana ndanzwa ruoko muhembe asi
pfungwa dzakanga dzadhanganyika ndisisaziva zvaiitika. Ndakabatwa zamu
ndikawurukira eish feeling yacho waiva moto chaiwo. Simba rakatanga
kupera mumabvi ndikaerekana ndagara pamubhedha ndakangorumwa chete.
Handina kuona kuti ndavatiswa seyi nemusana blouse ravhurwa ma button.
Bra yakangokwidzwa kumusoro ndikaanzwa poita kunge paita kutu
pamukaka. Ndakazopatika ndasimudzirwa skirt yowee ndokwazvakanga
zvatosvika. Ndakada kumuka asi weight yaiva yakawandisa.

"Museyamwa musadaro kani makundifukura hembe."

250 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Sorry shamwari but eish handichagona ini. Ndiite seyi nhai
ndakurwadziwa."

"Im not ready ini plus...."

"Please do it for me. Ndakuvara"

Maziso anga atsvuka kuti piriviri. Ndakarumwa zamu zvakare


achichinjaniswa mati kudzatuka kwandakaita ikoko kunzwa kuti pant ratota
chaiko.

Neniwo ndanga ndakaura asi problem ndakanga ndisiri pa any contraceptive.


Ndakanga ndichiri kutevera,zvakanakisa saka ndakatoona mimba chaiyo.
Zvaizotonyadzisa worse manje.

"Museyamwa mirayi mbichana. Handina contraception yandiri kutora ini."

"I know. Ndoziva zvekuita kani mudiwa ko ndiri mwana mudiki here. I love
you shaa and this time ndichirevesa kubva pasi pemoyo wangu.
Handingamboiti zvinokurwadzisa. Please"

251 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakangoromanciwa futi kusvika ndaibva ndongozhurukuzha kunge
chindumure chine mudumbu. Skirt yakangobatwa nepant yacho ne tight
zvikakweverwa kumakumbo. Ndakada kuvhara makumbo asi manje
vakanga vakamira pakati pemakumbo angu. Ndakanzwa ruoko rwava
pahasha ipapo uku muromo ndakanamiwa. Baba vacho vainyatsoziva havo
pekubata ndakaerekana ndasimukira ndapukutirwa kanyemba. Bva kuteura
mvura ndanga ndanzwa, ndakazonzwa mvoooo munhu akanyatsonditarisa
mumaziso chaimo. Zvairwadza mbichana kugoti baba vacho vanga
vakatakura kurema. Ndakaridza kamhere kekurwadziwa nekunakirwa
zvose.

"Sorry I will be gentle. Eish ouuuuch, ummmm shamwarika you are tight
zvinonyatsoita eish"

"Ndiri kurwadziwa"

"I know, sorry zvoperra soon. Sory"

Apa munhu aiti sorry achipushira mukati chaimo. Akangochovha mbichana


kuda katatu ndikannzwa munhu ava kuwomba achivhomora chop chop
ndikanzwa ndazadzwa padumbu munhu akashama muromo kunge
ndichaona pasi uku rumwe ruoko ruchipukuta paya pekundipengesa.
Ndakashinyira veduwee ndikanzwa rurimi rwaiswa ikoko kana kumbosema.
Aiwa handina kumbonzwa zvakadaro weti chaiyo yakauya nekunakirwa
ndikaerekana ndati tsaaa.

252 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Haaaa zvakakuomera wandipamha futika. Uchiri kurangarira kuti musi
wandavhura road wakandiwetera futi kumeso."

Ahh ndaizvikangamwa nepai izvozvo. Vakanga vaita zvavo izvozvi


zvekundisveta beans yangu ndikapengereka kusvika ndatsotsewa
humhandara. Ndakazoisa mvura mubucket ndikaita rekugarira pamusoro
ndichikapura tsvina. Ndakamboshinyira ndabata ndikanzwa kuti feeling
yakanga ichiripo yasarira. Shasha yanga yakavata nemaji zvayo ndakatariswa
ndichigeza apa sajeni vatochaya sarupu vachipukutirwa. Ndichinoti
ndanovapukuta ndakangodhonzerwa pamusoro. Ndakatozo kumbira kuti
tishandise condom ko ndaiva nawo pama contraceptive andaitengesa.
Ndakapfekedza sabhuku vakanga vaoma kuti ngaaa vachidzinina muto. Apa
rumwe ruoko rwaitambisa nyatso yangu rumwe ruri kuzvidhori chigunwe
chichimbopota chichinzi pfee. Maoko angu aibvunda munhu kana
kumbondibatsira busy kundiuraya nekunakirwa. Zvepamusoro
ndakazvitadza ini ndikabatiswa mubhedha ndokurohwa from behind
ndakatsikiswa gumbo rimwe pamubhedha wakareba iwoyo. Bvaa vaiteura
baba vacho condom kuita serichasvika muhafu. Takazovata taneta zvekuenda
kutozopepuka munhu akaruma zamu atozvitorera condom akapfeka.
Ndakangovhurwa makumbo ndikabaiwa nepfumo rinobuda uchi.
Kemakuseni aka kakanaka kani ndakadudza kuti "museyamwa I love you."
Makiss ndaikuvadzwa nawo haa aka kakanga kakapenga. Pane pavakazenge
vongodaidzira kuti "mhai ndofa nekunakirwa" apa speed yanga yofambiwa
nayo ungamboti ndisekuru vaNyasha. Bva kutaura kuita nyenze chaiyo.
Takaita ruzha rwekunakirwa tichisangana pakati tichifemereka kunge
mabhiza abva pamujaho umwe wangu nengonono ipapo. Ndisati kana
nekumbozorora ndakanzwa knock pa door. Ndakangokuturira munhu
paside ndokutora morning gown ndikapfeka mukati musina chinhu. Kutarisa
nguva kudai 5 yanga yachaya ndikaziva kuti vanhu vecobra vava kuda
kutsvaira. Ndakaridza tsamwa svinu ndakanga ndazviudza kuti ndomboita
imwe hour ndakatakura nekugukuchira mumwe wangu akangopedza
nekutoshona. Ndakangotora tauro nyoro ndikapukuta downsouth nekugeza
maoko ndichibva ndangotora magaba matatu e cobra red black newhite.
Kunovhura door kudai wane Mhofu Jnr varipo zvavo. Ndakazwa kukweva
makumbo kumashure kwangu kunoti cheu wane museyamwa face
yakatozvimba zvayo hope zvemunhu anga ari pa night shift vasina zvavo

253 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
shirt trousers risina zvaro kukonoperwa belt brief yakabuda label
nekumusoro mumakumbo muine mapush aRegi aigara kumba,

"Ndiyani mudiwa? Ndanga ndatobiwa nehope ipapa."

Ndakambotarisa machira aiva pa couch akanga akapetwa bho bho. Dai


akanga akabvanganyuka paigona kungoita,sekuti mumwe avata ipapo.
Vakambundirana vana vanyamunhu ndakangoti kanha ndiripo negown
risina chimwe chinhu mukati nemagaba angu ecobra mumaoko.

"eish I'm relieved. Hatina kana kuvata mhuri yose tisingazivi kuti mawirwa
nei. Mafon enyu ose ari off kubva zuro. Vakomana hanzi dad siyayi kuchene
tione kuti havauyi here ndikavati munodaro nekuti haasi mwana wamai
venyu. Pamwe izvozvi mwana wamai vangu aita accident ari kutodamburwa
makumbo nemakava. Dzaramba kuuya hope"

"Ahh Mhofu mwana wamai venyu mucheche here nhai? Mafoni ese
ndakamadzima zuro ini"

Hayaa ndakapererwa ini munhu achindipa that look yekuti wakaura ko


ndaingoti ka kusangofonerwa hangu asi phone iri on.....

254 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 17
Mhofu Senior

Ini ndini munhu akafara zvisingabviri mai Regi pavakandipa umwe mukana
zvakare. Handina kumbenge ndazvirota ini uye ndakanga ndatopererwa
netariro zvachose yekuti pamazuva angu mashoma asara ndichazombofa
ndakafarawo. Ahhh apa ndipo pandaifanira kunyatsobudisa misodzi manje
apa asi ndakazvishingisa semurume asi ndainzwa kuda kuyeredza misodzi
yemufaro chaiyo. Ndakanga ndazviudza kuti hakuna kwandinoenda ndisina
kuwana mhinduro yangu inogutsa kunyangwe ndaizodanirwa mangonjo
kana bulldozer ndizvozvo. Paitaura munin'ina wangu achiti "blaz muri
kungotyira kure apa munotongohwina zvisina doubt" ndaiti kuda
kungodarowo zvake asi ndakatozvionera ndega kuti ndini ndaingononokera
zvinhu. Ndakaona futi kuti zvainzi nababa Dillan ndikarega mukana
uchidarika ndinenge nda disappointer mhuri yose chaiva chokwadi nekuti
ndakaona kuti vaizama chose kusika mikana yekuti izvi zviitike asi pamwe
pacho ndaisatombozviona hangu. For example Ku hospital kwataiswera tiri
vaviri naMai Reg and paitogona kuti Mai Reg vakapinda ndiine vamwe
vanhu vaibva vatobuda voenda zvachose tosara tiri vaviri.

Kupiwa mota uku kwaitova kunzi mudhara endai munoita zvekuziva uku.
Fear yandaiva nayo yaiva yekungoti chete pamwe munhu achakabatirira
pakumurwadzisa kwandakaita kareko. Saka iiii mufaro wacho waiita
kupfachukira chaiko. Ndakanga ndisina kana intention yekudzokera ini
nekuti iyo yekuti mota ndiyo yekuendesa kubasa yaiva statement iyo ko
kwakanzi ma doctors anongoshandisa ma Benz chete here. Kana
vaizomurambira kupinda pagate nekuti auya nemota isiri Benz aingodzokera
onotora yamai vake kuLundi owana kupinda pabasa. Mafon ndakadzima
tichangosvika. Ndakatotanga neyavo mai Regi pavakaisiya mumota
tichisvika ndakaiona pandakanga ndave kunovhara ma door emota. Havana

255 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kumbotarisa kuti yakadzima here kana kuti iri on vakangotora vakasvika
vachipinda nayo mubedroom mavo. Ndakabva ndatodzimawo yangu to
make sure kuti kana avo vaida kuenda kubasa nebenz vairevesa chero
vaizofona vaibondera chete. Pane pavaizopisa mafuta here kutevera
kuMvuma.

Pasofa pacho pakazovatwa naniko handiti kiss yandaitya kuti pamwe


handichanyatsogona yakatozokonzeresa bongozozo. Ndakavanzwira tsitsi
amai vevana vangu nekuti ummm zhara chaiyo ndiyo yavaiva nayo.

Ndakabika mbodza first round ndoona semunhu akanga agarisa plus nzira
yacho ndaiita kusenerera chaiko so tight ndakanzwa kuita sendoda
kushoterwa nenjere despite kusava ne experience kwemumwe wangu. Shame
haana kana kuzombonzwa kunaka kwe button stick kubva musi
wandamubvanyangura ndikateurira mapatya. Tanga tava sekuru nambuya
vaNyasha zvedu asi pamazuva mashoma iwayo chero rikava vhiki kana
mwedzi ndakanga ndazvipira kuva the best husband for her kutsividza
makore ose aakararama akanditsamwira, I wanted to be the best dad to my
children vakanga vandiratidza rudo rwakadaro zvisineyi kuti ini handina
chipenyu chandakaita muupenyu hwavo, kana ndichiti vana ndaireva Reg,
Derrick,Dillan, Daphne nemukwasha, Doug Jnr uye vana 4, Khumbulani
nemudzimai wake,varoora Mamoyo na Makhumalo uye the most fantastic
grandpa ku vazukuru vangu vose zvavo uye the best brother and brother
in-law kumwana wamai vangu nemudzimai wake, nekuti ndakanga
ndaratidzwa rudo rusina muganhu kana ma conditions. Nekuzungaira
kwangu vakandipa nzvimbo yangu sababa ndikadzidza zvakawandisa kubva
kwavari vose vanhu ava kunyangwe zvangu ndakanga ndirini mukuru
kwavari vose. Ndakadzidza kuti generation yavako iyi ukada kutonga
pachitororo unozviruza. Ko ndakamboda kuzviita ka mazuva andabva
kuCuba ndikadzikamiswa mhepo dzose ndaudzwa kuti dzokereyi kwamaiva
baba tinavo kare. And chokwadiwo they had the best dad akaumbiridza
mbeu yebenzi vakakura vari vana vanoyemurwa uye vakadzidza
vanoshanda nesimba.

Saka ndaida kutotanga namai vacho ipapa kuvaratidza kuti kana baba varipo
hativatiri mbodza tinoita plan. Chakangoita chigwishu ndikateurira panze
sekuti mumwe wangu anga achema chema kuti haana dziviriro yaaishandisa.
Asi ini chero kwainzi vana ndaivada hangu ndakaona mufaro wakaita
muningina wangu pakauya vana 4. Asi zvaingoda tatenderana nekuwirirana.

256 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Zveshuwa ndakaita plan vakatamba jikinya amai mwana. Ndakamirirwa futi
nekungoona munhu achigezera mu bucket ndikakwevera munhu pamusoro
ndaida kumbovapawo matomu vakazvitadza. Ndakazoita vekubatisa
mubhedha rimwe gumbo ndikakwidza pamubhedha zvinhu zvangu
zvikasara zvakati waya ndichinyatsoona zvishandwa. Ndakaridza munhu
akaridza mhere kamba kuita sekachadonha zvimwe zvidhinha.
Ndakapepuka kuma 4 munhu akati rashu ko pakanga pashandwaka
ndikagofa chifuragozho chaitapira nekutovata.Knock ndakainzwira kure
chaiko ndikamutswa nekukutirwa kwandakaitwa ko tanga tangovataka
takanamirana. Nguva dzacho dzakagogodzewa ndidzo dzakandinetsa kuti
angava ani murima re winter iroro.

Ndakamboda kuramba ndakavata ko ndakanga ndakunzwa nyama


kurukutikaka kuita semunhu amhanya marathon for the first time in 10 years.
Asi ndakazogaya kuti munhu wangu angangoenda ndakati vavava.
Ndakangoti kwarakwashu ndokunonga kanduwe kangu ndikapfeka
netrousers chete ndokutevera ndisina shirt kuti ka zvikurumidze kuoneka
kuti the man of the house is around. Kutobuda hangu ndichipuruzira
chipfuva changu kuti zvityise. Ndakazodzikira ndaona baba Dillan varipo
vachinditarisa kubva kumusoro kusvika kutsoka vokwidzazve.
Ndakazombundirwa shame mwana wamai vangu akanga atadza kuvata
akati rega nditevere. Hanzi ndati pamwe mwana wamai vangu ari kudyiwa
nemakava ndikapotsa ndati rimwe racho gava ndirori ramakatarisana naro.
Vakangosvova mai Mhofu vakapinda mubedroom vakambonoti nyaa
varimo.

Ndakaona muningina wangu ashifta position ndokugara akanditarisa

"I cant wait museyamwa"

Kkll ahh vamwe vanhu kuda zvinhu.

257 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Zvaita mwana wamai. Ndapiwa umwe mukanazve"

Ndakambundirwa zvakare paya ndichirohwa rohwa kumusana nekuti


handingati kubhabhadzirwa nekuti zvaitorwadzirira kuda semunhu akanga
asina shirt.

"(nezevezeve)Ini ndafara ini mkoma mandifadza handizivi kiti ndodii ipapa.


Ndakagara ndazviona zuva rekutanga chairo randa vaona kuti this is the
right person for my brother. And chazvanakira chero nevana vose zvavo they
are 100% behind asi kungoti zvanga zvisingangabviri chete kuti vakuudzireyi
asi ndivo vanhu vachafara manje."

Kwakanga kuchakasviba kuita,rima chairo panze mongozivawo winter kuti


kunotozonyatsochena kuma to 7 chaiko apa yanga ichiri half past 5.

Mai Reg vaingova mubedroom ndikaziva zvangu kuti dzaiva nyadzi.

Ndakanga ndati ndinovadana baba Dillan vakaramba

"Aiwaaa aiwa regai vazorore ndichavaona kwanyatsochena. Regai ndinovata


mumota umo ndichitapudzawo hope ko ndambodzivata here.
Ndotobatidzawo yangu phone ndanga ndadzima ndichizeza kunetswa
ndichidriva."

Kungoibatidza akaita ma chorus ema message aipinda. Ndakaramba kuti


vanovata mumota ndikavagadzirira pa coouch raiva ne button rekuti uka

258 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
pressa chekuzembera chaidzika wotoita mubhedha double bed chaiyo.
Ndakapinda mubedroom ndikawana mai Regi vakagara pamubhedha
vakagumbata chaiko zvemunhu apererwa.

"(Vachidzungudza musoro) Ummm handisati ndambonyara zvakadai


upenyu hwangu hwese"

Ndakamboendesa pillow yangu yandakanga ndavata ndakatsamira ini kuti


Mhofu vanyatsovata. Iyo misikanzwa yacho kusatombozvitarisa kuti ndiri
baba kwaari

"Shuwa zororayi mungatevedzera isusu here chero mukaridza ngonono


tinongovharawo nzeve."

"Ngonono dzeiko nhaiwee ndakatanga riini kuridza ngonono ini"

""(vachifuga musoro nekutaurira mumatadza) Aaa dzogonamkungouya."

Ndakasvika mai Regi vagara vakaisa makumbo mumachira.

259 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Ngativateyi kuchichena bamnini venyu vatovata pacouch ndavarambidza
kunovata mumota."

"(Nezevezeve) Saka vati kudii nhai ini ndichanyarirepi nhai vanongoti vanhu
kutobva vasheya bedroom nefirst day here chokwadi."

"Mudiwa ndiwe wakutongozvonetsa iwe dai uchiziva mufaro uchaita mhuri


usingadaro. Yes hazvinyatsoita hazvo asi ndizvo zvatoitikaka. Kusadzokera
kwandaita kumba unoti chero dai ndavata mumota kana mulodge
vaizvibvuma here. After all ini newe tine mwana ane 36 years and vanoziva
kuti akauya seyi hatisi vana isu and kuvazivisa inenge yatongova formality
chete. Ngativatei mhai tizorore kuti tichadii tozviona kwachena."

"Kuti tichadii kweyizve handiti muri kumuka muchidzokera here"

"Kkkk hameno ipapo toona patinomuka pacho"

Ndaitotaura ndichibisa trousers rangu ndokupinda mumachira,


ndokukwevera mumwe wangapachipfuva pangu zvakabva zvamutsa zvivete
ndikangopidigura munhu akanga asingadi ndikashwetedzera munhu
tikazvibata chose pakupedza semumba maiva nemweni ndokuvata
zvekuenda. Ndakazomutswa nelight recurtain rakanga ravhurwa apa nguva
dzanga dzatova to eight.

260 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Eish mamuka nguvai?"

"Handina kumbovata zvinoenda kure ini. Saka pandanzwa bamnini


vachivhara madoor emota ndabva ndatobudawo ndikanogeza nekuto cleaner
mumba."

Ndakamuka ndikaenda pamota paiva na Mhofu ndikawana benz yatakauya


nayo neyamainini yakauya naMhofu dzava kutopenya dzasukwa.
Takamboita hedu makuhwa vana vanyamunhu ndokuzouya ndodaniwa
kunogeza vachikwazisawo bamnini vavo. After breakfast takamboti taureyi
ndichizivisa baba Dillan zvaivapo asi vakatsigirana namainini vavo
vakaramba kuenda neni kuKwekwe. Ndakabhowekana kungoti kwaiva kure
dai maiva muGweru ndasva ndadriva hangu daily ndichidzoka kuzovata
ndakagukuchira mudiwa wangu. Chero zvekuti vana vaziviswe tiripo
vakaramba mai Regi tikazongopa task yacho kuna Mhofu kuti vagoona kuti
vana vavo vovazivisa seyi. Zvekunoroora taida kutozviita soonest saka
munin'ina wangu akazvipira kutsvaga munhu aizomuperekedza kwaana
sekuru vamai Regi kuSanyati pakati pevhiki vonotaura nyaya yaivapo.
Vakasara kuMvuma madam ndikadzokera ndakadungamidzana nemwana
wamai vangu tikasvikira kuhospital ndichisiya mota. Handina kuzomirira
makuhwa avaiita nababamunini vake ndakabva ndatokumbira lift kune
umwe chiremba aibuda akanondisiya mutown pa amtec ndikatora malifts
kuenda kuKwekwe. Chitatu baba Dillan vakafona vachindiudza kuti
vaizoenda kuSanyati musi iwoyo vaiperekedzwa na Sahwira wavo baba
Trevor. Vakazodarikawo nemuKwekwe pakudzoka vachindudza kuti
vakapiwa green light asi vaida kumbotanga vaona mwana wavo ndiko kuti
vagozotipa date. Haana kuvanza kubatikana kwake mudzimai wangu asi
akanyatsotaura kuti achangoenda kuitira ini. Saturday manheru after work
ndakaenda kuMvuma ndaizodzoka hangu monday kuseni tichironga zvekuti
voenda riini kuSanyati uye seyi. Ini navo takanga tawirirana kuti ndaizobva
navo Monday kuseni ndichiuya kubasa ivo vozosvika vachidarikira kuenda
kuSanyati. Ndakaudza baba Dillan vakati vachaudzawo vakomana kuti

261 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
mama vari kufamba. Kkkk ah zvakaoma ndakafonerwa Sunday manheru na
Regi hanzi dad hazviite kuti mama vaende vega ndatokumbira kubasa kuti
ndiende navo. Saka akati since ndakaenda nema lifts kuMvuma aizomukira
Monday achiuyako kuzotitora and aiuya na Dillan nayewo akati haasari
anoendawo kuSanyati. Yowee ndaizoda rumwe rudo rwakaita seyi nhai.

Monday vakasvika vakomana kuma 6 chaiko vakafona vari paturnoff


vachitaura kuti vava kusvika. Vakatogona nekuti dai vakati kurumidzeyi
ndaigona kuzovatsamwira vavhiringa ko ndanga ndichangobva kupiwa
kemangwanani tatogezesana hedu mumba imomo mudish guru resimbi.
Vakasvika mabag atova mulounge tatomira negumbo rimwe. Takakiswa
kiswa haiwa waitoona kuti vana vane mufaro ava. Mhosva yandakatanga
kupiwa ndeye kufamba nema lifts ndichidarika nemuGweru futi muzere
mota dzimwe dzakanga dzisingatomboshandiswi. Ndakanga ndisingadi
kunyanya kujaira izvozvo nekuti zvaizondipa ku relaxer ndononoka kutenga
yangu mota. Mari ndaiva nayo hangu yekuti ka CRV kana Ex Trail ndaitenga
asi ndaida kutanga ndamboita zvekuroora izvi ndozoona inenge yasara pane
yandakanga ndakaisa pa divi. Ye business ndakanga ndisingadi zvangu
kuibata bata. Lorry yangu yakanga yava kuwandirwa business raikurawo
saka madeliveries aiwanda iyo iriyo yairova kwese ku personal nekubasa.
Saka ndaitoti business first ini ndofamba hangu nemalifts. Ko ivo vakomana
vacho kugara vati kana vana kule vakada kunoita misarinya tosiya tavarova
kkkk.

"Haaa kana zvirizvo zvamuri kufambira regayi ndiende hangu ndega.


Handisi kuenda kuhondo ini vabereki vangu no need yekurwisana navo.
Handiti ndivo vandidana here ndononzwa kuti vanodeyi."

"Kufara hedu mama hatiiti zvakadaro. Kutodawo kunovaona nekuvaziva"

262 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Asi vakada kukushungurudzai to.....ouuchh!"

Pane zvaitoitika pavakomana ava apa Regi akatswinya Dillan kuti asataura
zvaaida kutaura.

"Vakomana musanonyadzisa mai venyu. Handidi kunzwa kuti manoita noise


ikoko kunana sekuru venyu."

Apa kwaida kuenda kunoona kuti mai vavo vari safe here kwavakanga
vadaniwa nevanhu vakamboti havadi kuvaona. Kuda vakazonovhunduka
zimota rakaenda nanaMhofu vakaona kuti paita mari. Zvisineyi vakaenda
havo vakadarika vachindisya kubasa kwangu. Vakafona vachiti vasvika
zvakanaka uye vakatambirwawo zvakanaka. Vakamuka vachidzoka chipiri
chaicho nekuda kwemabasa. Vakadarika vachisiya mai vavo kuKwekwe
ndivo vakazondiudza kuti vana sekuru vakati vakwasha ngavasununguke
havo kuuya uye ivo vakwasha ndivo vaizongoudza vana sekuru
pavakasununguka. Ndaitoda kuti zviitwe weekend yaitwvera asi Derrick
paakanzwa vakomana ava vachiti navowo havasari akabva ati amirirwe
akanga ari ku China asi aidzoka weekend. Saka taizongojamba weekend 1
pakati inotevera yacho toenda kuSanyati. Ndakazoita zvekuhaya taxi kuenda
kumba nekuti vakomana vakanga vasvikira kubasa ndiko kwavakasiya mai
vavo. Ndakabva ndatochaisa kuma 3 ikoko ndaida kumbonowana nguva
nemudzimai wangu tichironga zvemba neupenyu hwedu, mhando
yemuchato wataida, uye kuti tichazenge tichigara kupi....

263 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 18
Dillan

Hatina kuzombobvira takanetsana zvakare nenyaya yekupfeka uye kuenda


kuchikoro kwaShumie. Akanga andiudza mashoko andakasara
ndichizvinyarira ndega paakataura kuti chero akanodzidzira muclub chaimo
haazombofa akaita chipfambi. Iko dzaingovawo shanje asi ndichinyatsoziva
hangu kuti haangazombotangiri pa college. Iyewo aiva miyedzo chaiwo
mukadzi wangu zvekuti iro zuva racho iroro pandakamusaridzira
mugugururu wekupfeka ndakangosara ndakamuyeva mudzimai wangu
achiita kuzeya akafitwa ummm ndakaita sendichamuti better tidzoke hedu
kumba.

Asi mushure mekuoneswa ndakazvigamuchira kuti mudzimai wangu ava


kuenda kuchikoro kuUniversity and that she was doing it for us her family.
Ndakambotanga ndisina kuzvijaira ndichiti chero ndiri Ku office kwangu
ndainzwa kahana kuti bhaa ndaibva ndatoona akavharirwa mu office
achirohwa zvinhu zvangu nezi lecturer rakashakara kare kare rakutoita
zvemidzi kana mapiritsi kuti engine imuke otokokotana nesiki ndovigirwa
zvangu baba nhiya iwe. Ndaigamuchira hangu mbichana mbichana asi
zvakambonetsa asi wo poga poga pandaidzoka kumba ndowana zvinhu
zvese zvakarongeka aripo ndainzwa kunyaradzwa chose. Umwe
akandisimbisa ndi Derrick akandiudza kuti maiChichi navowo vaigadzirira
kuenda kuchikoro Ku Capetown mwana akanga ava kutogara nagogo vake
kuti ajaire.

"Zvekufunga zvisipo izvi ukasazvingwarira zvichakudzoserai kumashure.

264 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Pane here chero zuva rimwechete zvaro rawakamboita ma doubts
nemafambiro amainini kunze kwepayazve pavakanosiyaai Chichi kumusha?"

Pakanga pasina zvechokwadi.

"Ukafunga zvisipo uchachembera wonwa mapiritsi eBP mwana wamai. Kana


zvakanzi zvinoitika chero vasingaendi kuchikoro kwacho vanongoita ma
boyfriends. Mumba mako imomo pamubhedha wako iwoyo and ugosvika
pakufa chaiko usina kuzvibata. Ini hangu pachangu I feel blessed kuva
nemudzimai akaita samai Chichi. Ndinomboda kuzama Ku avoida kumu
compare na mainini mai Fadzi asi zvinotongozviita zvega. Chero iye mai
Chichi anototaura ega kuti "handizivi kuti dai vasiri mainini Shumie
ndingadai ndiri munhu akaita seyi nhasi. Pamwe ndingadai ndakatofa kare
kare." Saka kana ini ndichiona a jewel in my wife you should be seeing a
diamond in yours. Chero neni chaiye my family is what it is nekuda
kwamainini. Saka kuvafungira kuti vane hunhubu hwavangazonoita vava
kuchikoro ummmm hameno ipapo nekuti ndiwe unogara navo asi chinhu
chinorema kwazvo kufungira mudzimai wako kuti anoita chipfambi.
Ngwarira Kuti you might hurt her for the rest of her life. Learn to trust your
wife. Do you know kuti anotova a public figure pavari ipopaya nekuda
kwako kubva uchiri manager kubank nekuti vaitozoti mudzimai wabank
manager, and very soon you will be raised by God and become a prominent
businessman not only in Zimbabwe but on the region, and millions of eyes
will be on you, not only you but your wife and kids as well, how the carry
themselves out there, their behaviour, how they dress and even their social
life zvichange zvakananikwa whether you like it or not. Saka imagine your
family on social media your wife dressed like a scarecrow. Ini hangu I
wouldn't take that risk ndinotoita make sure Kuti myfamily kusanganisira ini
wacho we are always at our best be it pa behaviour, dressing and
everything. I make sure kuti she goes even abroad to do shopping yemhuri
yake. Hapana chakaipa kuti mukadzi wako atsvinde uye achene as long asina
kushama chete. Izvi zvekuramba uchingoita like an insecure boyfriend
uchazvidemba rimwe zuva. She is your wife not your mistress and

265 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndingatoshamisika kuti by now uchiri kuda kudzidza mudzimai wako. Your
wife loves and respects you asi hazvirevi kuti hazvimurwadzi
nekumushungurudza. Handiti wataura iwe kuti haana kupikisa asi ziva
kuti anenge achingozviiita for the sake of peace asi moyo uchidzimbikana.
She might not have a problem nenhumbi asi chinogona kuvarwadza is the
reason behind. Kana uchiti dressing yaunoda iyoyo you can walk hand in
hand with your wife in public hauzoita wekutendeka negumbo kuti "vari
somewhere ipapapa", thn fine. food for thought my bro."

Akatanga kutumira ma pics ake nemhuri yake vari pakasiyana siyana, kumba,
kubasa, pamuchato, pama conferences, business teas, ku beach(apa
ndakambovhara ziso one handidi hangu kutaura zvakawanda, asi I admired),

"For your own information, mapics mashoma chose pane andasenda ayo
atakazvitora kunyanya tiri kumba kwedu, asi mamwe ose ayo taitomatorawo
pasocial media anototorwa tisingazivi, saka I would imagine ma comments
acho babe rangu rakapfeka suit ku beach kana kuti neshape dzavo idzi
opfeka legging yaakapfeka kupark apo oita iyoyo muchurch. Saka ini
nemwana wangu tinopfekedzwa nemudzimai wangu for every occasion and
she makes sure kuti we are on point. Tinonanzererawo kwete dressing chete
asiwo the way we talk chero nevashandi vedu, our behaviour chero
matsengero chaiwo tinoita tichiziva kuti the world is watching and we are
role models to many so we wouldn't want to disappoint them. "

Munoziva ndakatura mafemo kasingaperi ndiri mu office mangu ndichidzeya


mashoko emukoma wangu. My wife was just good kungoti ahh munhu
wacho aindipedza mafuta hangu. Asi mashoko a Derrick akanga ari ababa
chaivo. Chokwadi I had no reason to treat my wife like my mistress
wandinenge ndichingoziva kuti anogona asiri wangu ndega. Shumie was my
wife and chokwadi chaicho ndakanyatsofunga kuti mapfekero akanga aenda
akaita first day chero kufamba ndakamubata ruoko zvaigona kuti netseyi.
Chimwe chinhu chandakaona Shumie akanga akura asisiri Shumie uya
aingoti kana pane zvamurwadza aipedzera shungu mukuchema kana
kungonyrara hake kana kutokumbira ruregerero iye for the sake of peace.

266 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Nhumbi dzekupfeka akanga atenga ndadziona asi izvozvo ndakaona kuti
wandakaita moyo wakaipa chaiwo wandakazvinyarira ndega pandakataura
nemukoma wangu. Kutenga nhumbi kwaiva kunyara nekuti ndiwane
masvikiro.

Derrick akanga ataura chokwadi kuti we were both going to be great people
and ndipo ka panozoshanda tsumo iya yekuti behind every successfull man
there is asupportive woman/wife. SHUMLLAN Consulting (Pvt) Ltd was
her idea ini ndikazongoshandisa ruzivo rwangu rwemumabhuku and we had
started with a bang. Akamira neni akatsigira muono uyu akatendera kuti
tiburitse mari ine mumvuri yemhuri kutanga project iyi zvekuti chokwadi dai
yaizofaila pane umwe munhu ai collapsa chete. Ini vision yangu yaingova pa
money lending chete ndozokurawo kusvika ndamisa a big financial
institution. Asi akandionesa kuti business rinofanira kuvawo nemasakatire
kuitira kana rikasvika panguva yekumboremerwa rinowana support kubva
kuma sub projects.

"Daddy ini ndanga ndiine mumwe muono hameno kana uchigamuchirika.


Ndokumbirawo kungotaura pfungwa dzangu kana dzisingaiti hadzo
mongosiyana nadzo"

Kuzvininipisa nekuzvirereka zvaitova muropa and chero wanga usingadi


unototi uzvipire kuteerera. Akanga asina papara papara iya yekuti ndinoziva
ayewa. Ndakamupa mukana wekutimatsanangure pfungwa dzake dzaaiva
nadzo.

"Mhofu pane zvakauyawo mupfungwa dzangu kubva pamakazarurirwa


zvekutanga micro finance. Asi semunhu asina ruzivo ruzere mufield iyoyo
ndaishaya kuti ndozviburitsa ndichiti kudii. Asi semhunhu ane ruzivo
rwakadzika munogonawo kundi correcta pandinenge ndatsveyamisa.
Ndanga ndine muono wekuti SHUMLLAN inogonawo kufamba ne

267 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
consultancy company padivi yovawo ne SHUMLLAN consultancy
company.Pane chidraft chandakaita ichi chinogona kundibatsira kududzira
zvandiri kureva."

Akanditambidza bepa raakanga akanyora seizvi:

SHUMLLAN CONSULTING (Pvt)ltd

" Your success is our pride. The name you can trust right from concept to
commissioning"

Our Services:

1. Academic research and advisory

*Undergraduate

*Masters

*PhD

* Journal articles

2: Business advisory and research

* Business propsals

*Business rebranding

*Corporate governance

*and many more

268 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
3. Forensic Reseaxh and Advisory

* Dispute Adviaoryservices

*Financial investigations

*International risk and ivestigation

*Litigation lifecycle

*Compliance and securities law

*Applications solutions

*Technology consulting services

4.Accounting Services

*Budgeting

* Annual financial statements

*monthly financial statements

*Internal controls

*Internal audits

*Bookkeeping

5.Taxation

*Tax clearance

*Tax returns

*Vat returns

*Paye returns

6. Organisational research

269 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
*Project grant proposals

*concert papers

Preparation on of conference papers

7.Company Registration

*Private limited companies

*Private business cooperation

*Shelf companies

*Company Profiles

*Tax registration and company registration

Counselling and Family support

*Marriage counselling

*General counselling

*Family support

"At SHUMLLAN Consulting we believe that our client's success os our


success. We help people find answers, solve problems and get INSPIRED?"

Nhaimi chero ini wacho ndaigona kutadza kubuda nepfungwa dzakadai.


Ndaizviziva hangu kuti mudzimai wangu was a genius and akanga aita ma
commecials pa A level asi izvi zvakandigura kunorira. I company
yakatorongwa ikaperaka iyi.

"Wakazviita riini izvi nhai mai Fadzi?"

270 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Handiti ndaiva nemuono wangu pandakaita ma commercials ndaimboitawo
research yangu. Zvimwe ndinotoona kuti zvinhu zvatinorarama mazviri on
daily basis and tichitobhadhara mari yakawanda to those who provide us
with those services. Saka since ndava kuita divert ndaona kuti imi since
makazodzidza zvinoenda mberi it can be a very good project iyoyi. Ndanga
ndakutomboda kurasa ndikazofunga kuti regayi ndimbosheyawo nemi."

Ndiwo matangiro atakaita iwaya and ndakatoona kuti week iroro Zimra
yaivava kuvanhu vaya vasina kuregister ma companies avo. Ndikafunga futi
kuti isu pataka register micro finance yedu takaita mazuva tiri pawaiting list
vanhu vakawandisa and tikabuda mari chaiyo. Takagara pasi tikaonesana
kuti hatizotangi nekupa maservices ose ka1 asi taiita mbichana mbichana. Pa
marriage and general councelling apo akati iye aizozviita ma saturdays and
ndakafarira idea yekuti people would book in advance for a one on one vobva
vapiwa date and time. Zvechokwadi she had supported me even musi
watakaita launch she was there by my side zvikadadisa. Ndakatombotarisa
ma pictures atakatorwa musi wacho and my wife was just mwaa and i didnt
disappoint. On the day re launch chairo we got over 50 serious clients.
Tairenta 6 offices pa complex paiva neyangu uye ya shumie zvakare ipapo.

Zvechokwadi I had to support my wife in her carreer kwete kungoswerero


mushungurudza nekumuchengera nekufunga zvisipo. Chokwadi paizoita
kutravella kwakawandisa tiri pakasiyana futi saka taizopanana ma
bodyguards here ekufudza kuona anyengwa kana kunyenga.

Kubva ipapo I learnt to trust my wife uye kumupa respect yake yakakodzera.
Kuenda kuchikoro hakuna kumuchinja hunhu hwake ayewa she was ever
responsible kumhuri yake, twekwangu ndichipiwa ndichiguta and paaikupa
akafara Shumie ndaishungurudzwa zvangu nemutakunanzva wemueramoyo.
Hapana pandakamboitirwa namaid nekuti kurongeka chaiko aiva number 1.
Aimuka tonamata ipapo takanga tisingaiti mistake, togeza pamwechete uyo
waiva mutemo, nhumbi dzataipfeka dzaivata dziri ready. Mwana wedu
aisiya agezesa adya porridge kuitira kuti maid asanetseka. Taibuda hedu
nguva dzakasiyana ini ndaitanga basa7:30 iye ndipo paanenge achibudawo
pamba. And asiya aita urongwa hwezuva rose kunyangwe chikafu

271 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
chichadyiwa mauro. Everyone was comfortable hapana chakachinja nekuti
mai vava kuenda kuchikoro.

Mazuva akafamba akaumbana akava mavhiki ikava mwedzi. Mufaro


wakanga uchipfachukira mumba medu and it seems everyone was enjoying
what they were doing. Sis Nyasha vakanga vatova grade 7 anganonzwisa
tsitsi mwana achiverenga. Tsano Cliff vakanga vachifanobatsirawo kushop
kwaDaphne and ava vaisamboitira zvekuti vanoda kuwana mazimari
akawanda he was just helping nekuvarairwa zvake ko mari tichigara navo
kudaro vaitumirwa every month natezvara hanzi usanetsa mukwasha nasis
uchikumbira etym. Mwana wavo mai Fadzi ndiye akazotaura navo
achivaonesa kuti vasanyanya kuzvinetsa mwana tisu taiva naye and he was
our responsibility. Paakatanga kuenda kushop vakafara vatezvara hanzi "at
least awana zvinomuvaraidza pane kuzopedzisira orasa hunhu pama bridge
nekushaya zvekuita. Ndosaka ndaida kuti abve angoita masters yake
paanopedzawo munhu anenge ava mature handiti chero izvozvi at 23
unotongoona kuti pfungwa dzichiri dzemwana."

Ndipo paunobva watoona kusiyana kwevanhu. Ini pana tsano ndakanga


ndichiona kuti maturity yaitovapo and focus chaiyo yaigona kuvapo
vakabatsirwa kubuilder zvavaida ivo kwete zvekumanikidzirwa career
nevabereki yavairota ivo. Vabva kubasa he would make sure kuti Nyasha na
Jane vabatsirwa homework. Aiva munhu wemajokes taigara mbabvu
dzakaoma nekuseka. Zvaitotinetsa isu kuti namkoma Reg vaiva tsika
nditsikewo vainyatsopindirana papi chaipo nekuti mkoma was just cool.
Vakanga vangotora ma looks kuna dad chete asi hunhu hwaiva hwamama.
Tsano Cliff vaizotanga August ku school of mines kuBulawayo asi ndakanga
ndisati ndavaudza zvangu asi madhiri acho ndakanga ndatoronga kare. Sis
vake ndakazovaudzawo vakati tigozivisawo baba zvisazoita setakuvaendera
mberi.

Jane zvaiitawo kuchikoro kwaaienda chero mabook ake were impressive vose
zvavo naNyasha.

Mkoma Reg vakanga vachiratidza kufarirawo basa ravo ku hospital


kwemukwasha and rudo pakati pangu nemukoma wangu rwaikura zuva

272 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
rimwe nerimwe. Paakataura kuti stand yaakatenga anoda kuvakira dad
takabva tafurirana na Derrick to join in kuti tibatsirane navo. Madzimai edu
akaratidza kufarirawo idea yacho. Pakanga pasisina musiyano pakati pana
dad vedu ini ndakanga ndava kuvada zvakafanana. Kubva pakauya mkoma
Regi vakaratidza rudo rwekurevesa kuna baba vedu ndakaona kuti
hatingatorerwi mablessings oseka isu tanga tinavo kwemakore. He was our
dad and takaziva kuti vakazivawo kuti takaisawo ruoko paimba vachaona
kuti zvechokwadi we loved him from the heart.

Pandakataura kuna mukoma kuti ndaifunga kuti stand vanoda kuzvivakira


ivo pekugara vakandishamisa nemhinduro yavakapa

"Ini ndichazovaka hangu ndinoda riri plot chairo saka pane randakawana just
before Shurugwi town muhighway chaimo just after turnoff inoenda kuma
stands eUnkie aya, saka ndichiri kumbotaura nemurungu wacho. Its a big
plot re 10 acres. Ndine muono naro and the money is there changosara
kuwirirana nemurungu wacho akati ari kuuya August ari ku Holland.
Rakangogara harisi kushandiswa. Ini hangu ndiri kuona kuti mommy na dad
vakava pamwechete it would be for the best of both of them. Saka iyi
ndakaona se a way of bringing them closer. Dad vangu ndinovada and i
would love him even more vari pamwechete namama."

Pfungwa dzataiva nadzo chaidzo tose na Derrick chero na Shumie


takatombozvitaura kuti ava vaviri ndiyo,perfect match manje. Ndiwo
makuhwa atakanga tava kuita sevana va Dhanyere iwaya kuti dai vaviri ava
vava pamwechete. Manje mkoma wangu ndiro raiva tsotsi manje aimbobira
kuvatora mapictures vari vose kuHospital hameno kuti aizviita nguvayi.
Takazoseka imwe mhofu vakaita kutsinzinira vachizorwa mushonga.

Pamba pedu kuGweru east paigara uri mufaro bedzi bedzi. Pakavharwa
zvikoro April munhu wese akauya akapasa. Nyasha aiva ne 4 points tikati
zvikaramba zvakadaro chero pafinal aizokwatura chete. Jane akaita 5As 5Bs.

273 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Changu chitofu chemukadzi hatichatauri. Uyu aitopenga chete uyu kutanga
akatongobvira moto. Takazoita zvedu zvekugadzirira kuenda kumuchato
kuSouth Africa. Pamba paisara vashandi chete mhuri yose yaienda. Kubatana
ndiyo yaitova slogan yacho. Isu takakasira kuenda kuitiravma rehearsals
komtisu taiva mabest zvee. Doug jnr aivako vakanga vagara vaenda naye
ndiye aiva pageboy. Ka mini bride kaiva kamwana keshamwari yamai Chichi
yaigara ku south ikoko. Vakatevera nehuwandu hwavo kubva ku Zimbabwe
vasina kuuya ndi mama Agah chete nekuda kwekuti vakanga vakurirwa.
Mkoma Reg vakamboti nonokeyi kuuya hanzi mama vanogona kupona
ndichiripo asi zvakaramba vakadzimara vakatevera natsano Cliff ne first
flight musi wemuchato. Kuita sezvaisada kuti vavepo nekuti manheru after
muchato ndipo pakabva pasvika news dzechishamiso mumhuri.
Takatozongosara ini nemhuri yangu vamwe vose vomhanyira kuvana kuita
sekuti ndivo vaivayamwisa. Kana vari sa Mhofu jnr noone could stop him.
Deriick akanga akaronga kuti after muchato aizotenderera nemhuri
achiratidzawo hama neshamwari empire yake muSouth Africa uye aidawo
kuti handover takeover yegift yedu iitwe mhuri yose iripo. Asi hazvina
kuzoita sekudaro ini nemhuri yangu tisu takazova forced kuti tisare asi moyo
wakanga watovawo kuma miracle babies kumusha. Tisu takazoratidzwa
zvose zvavaiva nazvo mu south africa hanzi muzive zvandinazvo incase
something happens. Hotel yedu yakandichemedza ini ndaifunga kuti dzaiva
ngano. It was real wena zvikandipa shungu ini dzekuti mudzimai wangu
adzidze agogona kurunner zvakanaka. Takazowanawo mukana wekuenda
ku beach ummm Derrick akandiremera. Ndidzo two days dzakanga dzasara
kuti tidzokere kuZimbabwe dzatakaita boat cruising nekuenda ku beach.
Takanga takagara hedu pa mamafolding chairs mhuri yedu ichifara zvayo
kumvura. Hameno kuda Derrik kwaiva kujaira hake ini kutonzwa nyama
kusimuka ndichiona mukadzi wangu akapfeka zvekubeach asi vakanga
vakazosungira havo tumwe tuma veil pamusoro asi twaingova see thru. Apa
vakanga vakafuratira vachitorana maselfie aiflasha kusvika nekwataiva
takagara.

"Iri breed rakapenga iri handifungi kuti kune kumwe kwarinowanikwa iri."

Kkkk nyamba baba Chichi aitofungawo zvandaifunga. Handina kuzomuudza

274 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
hangu kuti ini zvatouuya zvikandibata nesimba. Ndakanyepera kunzwa hope
tikaenda kumarooms edu. Ndakafonera mhou yangu ndikati ndanzwa
nemusoro kkk. Pasina nguva ndakaona msg from Derrick hanzi "iwe taura
nyaya yako musoro watanga nguvai. Neniwo ndakutounzwawo unotemera
pazasi pechiuno"

Ndakaridza munhu zvechionekedzo chaizvo nekuti the following day


taidzokera ku Zim.

Doug kuzodzoka kwake ku Zim ndakaona kutimkunenge kwaizonetsa nekuti


akanga atotsvagirwa nzvimbo ye creche ikoko.

"Ndicho chinhu chandingatoitirawo mai vangu to see kuti mwana wavasina


kuwana mukana wekuva naye awana the best in life."

Mabusiness edu aifamba zvakanaka and zvisineyi kuti takabva kuSouth


Africa tava inspired uye nemamwewo ma ideas matsva atakauya tava nawo
nezvimwe zvatakakopa. Takasvika tikavhura imwe joint account yedu ne
starnderd bank yaipinda mari dzema projects ose. Hapana aigona kutora
pasina signature yeumwe. Takazvikopa kunana Derrick izvi.

Creche yaipinda Doug yaiva best shuwa nekuti fees yacho yemwedzi
yakataurwa ipapo haaa waizorora wega. Takdzoka a day before opening
tikashamisika kuwana mkoma vagadzirira vana zvese zvechikoro. Kkkk ko
nyasha kuzotengerwa complete uniform munhu akanga asarirwa ne 1 term.
Mabook mapen zvose zvaiva in order.

Zvakaitika zvakawanda pakati apa sekuvaka nekupa baba vedu imba,


kuenda kuSanyati kunoroora nekubatanidzwa kwavaviri ku court, kuvhurwa
kwakaitwa imwe project nadad muGweru yemamotor spares uyewo mama
mai Reg vakavhurawo yavo yaitengesa zvekucleanisa like cobra, dishwasher,
stasoft, washing powder, washing and bath soap,tile cleaner, perfumes ma
mop mabroom nezvimwe zvekushandisa, zvose vaizvigadzirira vega
mufunge her own brand tikatovabatsira kuregister company yavo, kuenda
kwatsano Cliff ku school of mines muna August. November Nyasha

275 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
akadadisa akativigira 4 units tikanzwa mukoma vachiti vakanga vatotsvaga
nzvimbo online ku Queen Elizabeth hanzi ndiko kwavakamubvunza akati
anoda. Zvose zvakabva zvagadzirwa kubhadhara mafees mauniforms
nezvose kani vakaita mukoma. Mabirthday akaitika towards year end hadina
kutotaura ezvawo. Vana Daphne nemukwasha takava navo december wese
vakanga vauya kuzoona madzimai aChris kunyanya. Christmas iyi vamwe
nevamwe vakaita urongwa hwavo nemhuri dzavo. Mkoma Reg vakatambira
kumba kwababa namaivavo vose naNyasha. Akazokumbira Nyasha kuti
kana zvichiita aida kumbonoona mama vake asati aenda kuchikoro.
Vakaenda nagogo vake namkoma Regi na maiFadzi vakadzoka vachiti
vakanga vavaona vakakumbira. Kuchikoro kwaNyasha takaenda tose kani
kutosimuka mota mbiri kuperekedza muzukuru mukuru wemumusha.
NaCeline ndipo paakabva atoendawo the previous day akanga apedza
internship yake muna December sakaanga ava kumbotenderera hake achiona
nzvimbo nababa vake vakanga vauya kuzomutora, kunana Vic Falls, Kariba,
Great Zimbabwe nedzimwe nzvimbo.

Rimwe zuva takatotandara manheru ndakanzwa mkoma Reg vachiti vane


nyaya yavaida kutaura neni. Vakanga vava nemazuva vari down zvekuti
ndakabva ndaziva kuti ndiyo nyaya yavaida kutaura yaivadya moyo.

"Ini pano ndakapara mhosva ndakapa mwana wevanhu pamuviri but manje
hey pakaipa."

Iii kana nesu takavhunduka nazvo hatina kumbenge takazvitarisira. But


mamiriro akanga akaita nyaya yacho ndiwo akanyanya kuti vhiringa.
Takamboitaura manheru iwayo pagroup revana tikabuda nepfungwa dzedu
tisati tasvitsa kumadharamadhara.....

276 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 19
Mai Reginald

Kusvika kwakaita bamnn vangu kuMvuma kwakaita kuti ndishaye


pekupinda chaiko zvekuti mdakademba kuti dai pasi paigona kuvhurika
hapo pandimedza ndanyangarika. Ndakatuzura ndiripo padoor nema cobra
angu mumaoko vana vanyamunhu vachimbundirana paya vachifara.
Ndakatoona kuti rudo rwaiva nevana ndiko kwarwakabva ko zvinonzi
nevakuru " gavi rakabva kumasvuuriro." Chokwadi kupisa mafuta nehusiku
vachiuya kuzotsvaga mwana wamai vavo mudhara akanga atova ne imvi
dzinoverengeka chokwadi.

Pandakaona vadaro ndakabva ndawana mukana wekusvova ndokupinda mu


bedroom mangu ndokugara. Paimirika here ndakanga mdisina kusimiraka
mdaiti kungosvika ndichipa munhu cobra yake ndotodzoka kuzomonera
nekumonerwa. Ndakatanga kufunga kuti saka vanoti kudii nhai pamwe
vaitoti ndizvo zvandaivavarira nguva yose yandaiswera navo kuchipatara.
Hazvisizvo veduwee ndaingobatsirawo mweya waMwari nekuti ndakanga
ndatarisa ndikaona kuti vanhu vose vakanga vaine zvavo uye mabasa avo
avaiita saka ini hangu ndakanga ndakati sunungukeyi ndakaona kuti
handina chandaibva ndikabatsira. Zvakazoitika izvi zvakangoitikawo
sevanhu venyama asi ini kutaura chokwadi handizvo zvandakanga
ndakaronga. Zvaitaurika veduwee kana dai kwaiva kuti takatanga tataura
uye kuzivisa mhuri kuti ndizvo zvatakanga tafunga. Imwe nyaya yaive yamai
vekujeri avo hapana pakanga pambotairwa kuti nyaya yavo ichazoveyi ini
ndatojambira mumachira nekutovhirwa makumbo nemurume wavo.
Ndakanzwa kunyara kusvika pekupedzisira pekunyara chaiko zvekuti
pakapinda bana Regi ndakashamisika vachitora pillow yavo yavakanga
vavata vakatsamira kunopa mwana wamai vavo kuti vatsamire pa couch.
Ndakatozopamhiwa kamwe futi kakapotsa kandirasisa hunhu pane vaenzi
asi ndakashinga ndikaruma muromo wepazasi kuti ndisaridza mhere ko
zvinenge zvokutuma kupengerekaka kuri kunaka. Takazovata
ndikatozomutswa nemadoor emota aivhirwa nekuvharwa. Ndakadongorera

277 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kwanga kwa chena hako asi kwakanga kusina zuva asi kwaitosasa tumvira
twemubvumbi twechando. Bamnn vakanga vandigonera vakashifta mota
dzose vakaisa kuseri kwavaidzisuka saka zvakandiitira nyore kuenda
kunogeza kutoilet ndokuzoisirawo baba Regi ndikanovadana pamota
pavaiva nemuningina wavo. Ndipo pandakawana mukana wekuvamhoresa
vakandikwazisa vachisekerera chose. Ndakabika tikadya ndipo
patakazowana mukana wekutaura zvaivapo. Ndakasununguka kuziva kuti
mhuri yose yakanga yakatondigashira nechekare. Baba Regi vaitoda
zvekutobva vatakirana neni kuenda kuKwekwe ndikaramba ini zvaidawo
vanhu vemumhuri vanyatsoudzwa. Babamunini vakanditsigira wo ipapo
zvaizoda here kuramba ndongozvinyadzisa vana votongonzwa kuti ndava
kugara nababa vavo zvaizopawo chiremerera here.

Pakabva paitwa zvakare urongwa hwekuti bamnn vaizobatana nasahwira


wemumusha vonotsvaga vana sekuru vangu kuSanyati kuti paitwe
nhaurirano. Ndiko kuparadzana kwatakaita ini ndichisara kuMvuma vana
vanyamunhu vachidungamidzana kuenda kumabasa avo. Chitatu bamnn
nasahwira wavo vakaenda kuSanyati ndakangovapa madirections chete
vakazofona vachiti vakanga vasvika. Vakadzoka ne news dzekuti vakanga
vati vanoda kutanga vandiona vambotaura neni vasati vatambira pfuma. Ini
hangu ndakanga ndichingofunga kuti vanoenda kunoroora voenda havo
nemari ini ndaisara. Ko handiti mari ndiyo yavaida yavakazobvuma
kugashira asi ini vakati havadi kundiona nekuti ndakaita nhumbu ndisina
kuroorwa. Ndakazongobvumira hangu nekuda kweumwe wangu, ndakaona
kuti ndikaramba kuenda ndingamushungurudza. Mwana wangu akabva ati
anoenda neni kuda kunonzwisisa kuti vana sekuru vaidei ndakaona kuti
kwaiva kutyira kuti mai vangu vangu vanogona kunoshungurudzwa.
Vakauya nemuningina wake zvechokwadi musi we Monday kuseni
tikasimuka kuenda kuSanyati. Ndaizoda kumwe kudiwa kwakadii nhai.
Takasvikira kwasekuru vangu vakuru tikagashirwa zvakanaka chose
vakamhanya mhanya kutiurayira chigotora chembudzi. Takanga tisina
hurongwa hwekuvatako asi vakatidembera chose vana vakapedzisira vati
tingosiya hedu hope zuva rimwe. Manheru vamwe sekuru vaigara kwainzi
kuraini vakauyawo nemudzimai wavo. Vaiva nekunyara nyara
vakakumbirawo ruregerero nekundiramwa kwavakaita.

278 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Hongu ndakatadza chose asika mungadai makandipawo mukana
wekukumbira ruregerero pane kubva mandirasa kudaro. Kubva matadza
kana kuzomirawo neni pandakashaikirwa nemwana wangu. Asi zvisinei
hazvo tazpngosanganiswa hedu nehumwe hurongwa."

"Ipapo pakapotseka mwana wehanzvadzi yangu zvekuti

dai zvaisazoita sekuramwa taingokusunungura wonogara zvako nemurume


wako. Isu hatina kana kodzero yekutambira pfuma mushure meutsinye
hwatakakuitira. "

"Ayewa kodzero munayo chose ndimi vana mai vangu. Mungandiremedza


chose chikumbiro changu kwamuri. "

Vakazobvuma havo kutambira pfuma uye paizongoita weekend imwechete


pakati vobva vanopiwa mari dzavo. Takazosimuka neChipiri kudzokera
ndikadarika ndichisiiwa nevakomana muKwekwe. Baba vavo vaiva kushop
kwavo saka ndiko kwandakasiiwa. Kaitova kekutanga kusvika pabasa
paMuseyamwa ivo vakanga vari muoffice mavo ndimo mandakasara
vakomana vakati ndisare ndichipa feedback kuna baba vavo. Vakahaya taxi
kuenda kumba kwavaigara ku low density. Ndakanga ndaudzwa zvangu
kuti yaiva imba yababamnini asi yakanga yakakura. Ndakambova
uncomfortable mongoizivawo madzimai nyaya yekubata midziyo,yeumwe
mukadzi. Bvaa ndakatozoshamiswa ndichiudzwa kuti mai ava vakanga
vasina kana chavo chituku zvacho chaivamo kubva kumagumbeze chaiwo
kusvika ku teaspoon.

279 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Zvose zviri muno ndezvabamnn vako izvi chero ma dishtowel nezvikorobho
hapana kana chake saka sunungukai henyu mai Mhofu."

Madish towel acho nezvikorobho zvakanga atosakara zvawo kureva kuti


hapana kana pakamboitwa replacement. Ummm ndakatadza kutonzwisisa
kuti aiva mudzimai werudzii nekuti chero mutsvairo wake waiva chigwishu
chaicho. Pane zvimwe zvinhu zvekuti munhu wemudzimai unotongofanira
kuva nacho mumba murombo kana mupfumi. Hapana chinhu chinonyadzisa
semunhu wemudzimai anokumbira mutsvairo kana ma pegisi ekunikisa
nhumbi. Wowana zvino dzangotanzvikirwa dzimwe dzichitorwa nemhepo
kutsvaga kupa vavakidzani basa rekuteverera vachikunongera nhumbi dzako
dzinenge dzapepereswa nemhepo kuenda kuma yard avo. Ini hangu
ndingangoti kuda kutambura kwakandidzidzisa zvakawanda plus semunhu
akakurawo achigara nambuya vaiva vasina kuwomera nerairo.
Ndaigutsikana nezvamdaiwana ini zvesimba ne effort yangu and handina
kumboita upenyu hwekupemha. Ndaiita the best nezvandaiwana nekuti
ndasada kupa vanhu zvekutaura kana kuzopiwa mazita. Mumwe
anogadzirwa musoro wake chaiko kuti agonetsa nekukumbira spray yamai
vepanext haiwa ahh ini zvekuzvishoresa ndakanga ndisingadi. Ndaigara ne
short hair yangu ini iri smart ndaigerwawo zvinoti dhureyi zvinofita musoro
wangu ndobva asi zvaisazosvika pamakunun'unu ekugadzira musoro kana
kurulwa ma weave anodhura. Nhumbi chaidzo ndaiva neshoma
dzekumabhero dzakachipa asi mdainyatsofitwa ipapo Mwari vakanga
vandigonera.

Ndiri kuyedza kutaura kuti ndaiva ne peace nekuti ndaigutsikana


nezvandaiwana. Chero chimba chandaigara mu komboni chakanga
chakashata pane dzose asi mainhuwirira muchigara makapenya nguva dzose.
Ndiro dzangu ndaisuka ne lemon dzosara dzichivaima chaiko. Pamba pangu
ndipo pega paiva nemaruva panze ndaitakura mvura nemusoro
ndichidiridza. Ndinoona ndizvo zvakandichengetedza ndikakunda chipfambi
nekuti handina kumbobvira ndakada zvakachipa sehonye.

Zvino amai ava ndakashamisika kuti chavo chaivapo dzaiva nhumbi


dzekuisa pamuviri pavo bedzi. Haiwaa apo imba yaiita kushinyira chaiko.

280 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Manheru ndakaramba ini kushandisa bedroom raimbova reumwe mukadzi
and havana havo kumboramba Mhofu. Vakabva vatoburitsa nhumbi dzavo
vakaisa mu spare bedroom mataizovata. Ndakabatsirwa kusuka nekuita
order mumba hanzi semunhu abva parwendo makaneta endai munozorora.
Ndakanga ndisina kuneta ini asi ndakangoita zvaidiwa nababa
ndikanosvika ndichivhurira mvura yekugeza mubathroom. Ndava kutopedza
ndakaona door ravhirwa munhu achipinda ari rapu rapu zvake hanzi
ndauyawo kuzogeza. Kwakazova kugeza plus zvimwe nekuti
ndakatozopedzisira ndabatiswa tub ndikashinyidzwa ipapo. Ma condom
aivamo mu bathroom handina kubvunza hangu kuti vaiva vamawanepi.
Ndakatakurwa ndikanorariswa pamubhedha ndikazorwa mafuta pose kani
ndikazovazorawo. Takakurumidza kuvata ndakatoona ini kuti ndaiti
ndikangopiwa chinonaka changu ndaibva ndatobatwa nehope dzekuenda
chaiko. Kemakuseni waiva mutemo ndakamutswa ndikapakurirwa. Bva
zvitaera ndaishaya kuti zvaibva pai ini hangu ndaiva ndisina chandaiziva.
Ndaitonzwa kunyara kuti mbuya vakuru ndaiita zvekuudzirwa kuti "itai so
mbuya vaNyasha, ita uchizungunukirawo, vhurisa, akumbo." Hongu mbuya
vangu vakanga vandiraira zvimwe sezvekuzvishongedza aiwa ndanga
ndakarongeka chero museyamwa vaitaura kudaro. Iko vaifarira kugara ruoko
ruripo ndichitambiswa. Takanga taita hedu bonde kanoverengeka asi asi
ndainzwa kuti ndiri kuguta asi zvaizondiremera hangu kubvunza kuti ivo
vaigutsikana here. Kuseni vakazomuka ndatopedza kuvagadzirira zvekubasa
mumba ndakokonora tsvina yaivamo nekubvisa ma spider webs.
Ndakashamisika vachiuya mukitchen mandaiva vachiti kubasa havasi
kuenda. Ini ndaitoti kana vobuda kuenda kubasa neni ndaibva
ndatonokwirawo kuenda kwangu.

"Munomhanyirei mozoenda mangwana. Nhasi tomborongawo kuti


tichafamba seyi kwana sekuru neupenyu hweduwo."

Ndakaitansekudaro tikaswera hedu pamba. Ndaida kucleana yard yaiva


netsvina ndikarambidzwa. Takaswera tichikurukura zvedu nekudanana.
Energy vaiva nayo chose museyamwa asi ini ndaizosvika pakuneta kuda

281 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kwaiva kusajaira. Raiita kunge sleeping tablet chairo ndaibva ndarukutika
chaiko,kwechinguva.

Vakanga vakaunganidza mari yavo yavaida kunoroora nayo yakanga isina


kunyanya kuwanda zvayo seyandainzwa yakaenda kunoroora vana mainini
mai 4 uye varoora chaivo vakanga vabvisirwa mari ine mumvuri. Vakanga
vaine $3000usd.

"Ishoma mari yacho iyi zvekuti ndiri kufunga kuti ndimbotora pane
yekushop ndozoishanda ndodzosera."

"Yakawandisa iyi museyamwa. Kushop mukatora yozoramba kubuda


mozodii? Hapana munhu akambopedza kuroora ne 1 day."

Takazowirirana kuti kana tabva kuSanyati taibva tanogara kumba yedu


nyuwani yatakavakirwa nevana. Mari yakanga yoda kuchachurwa yaiva
yekunovhura shop muGweru yekutengesa ma motor spares. Zvino ndiyo
yakanga yoda kunosiiwa kuSanyati iyoyo.

KuMvuma kwakazoendwa naniko ndakanyegererwa ndikazogara vhiki yose


ku Kwekwe. Kusanyati kwakaendwa nevana vose vadhanyeri vari vatatu uye
vana baba vavo nasahwira. Ndakamborohwa nehana nemari yakazonobuda
tava kuSanyati ndichiti pamwe yakazotorwa kushop ndikazoudzwa kuti
vakanga vawedzerwa nemuningina wavo. Takadzoka ndokusvikira
kuKwekwe zvakare iri Sunday. Mainini mai 4 vakandidana kuti

282 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndizomboona tete vavo vakanga vauya. Ndakanga ndangovaona zvishoma
pakabatsirwa mainini vachimhanyira ku America. Saka vaiti vakanga vauya
kuzonyatsoona vana. Ndakaenda nemalifts Monday kuseni. Friday yaitevera
yacho ndipo pataizobatanidzwa ku court saka Mhofu vakati ndingogarira
hangu kuGweru. Takava nenguva yakanaka naTete vakanga
vakangondidarika zvishoma. Vanga vakasununguka chose ndigotorairwa
paya kuita sekuti ndiri mhandara iri kutanga kunopinda mumba. Ndakaona
kuti ko zvandaifunga kuti kufadza murume ndakanga ndisati ndambotanga.
Ko ndakanga ndaudziwawo nani. Ndakatoona kuti kuda ndicho chikonzero
Mhofu vaitozoita zvekundiudzira zvimwe. Handina kuzvitorera kuti
ndakura ayewa ndakabvuma kudzidzisika. Kutononokerwa ne honeymoon
yataizonoitira kumba kwedu ndakanga ndakavagadzirira museyamwa.
Taimukira malesson kani kuita sekuti ndizvo zvoga zvavakanga vafambira.
Chiiko chakasara kubva kugeza, kushongedza mumba kuyanana nehama
ndokuzowandira kuimba yemukati. Ndakasara ndazara veduwee ready to
offload zvandakanga ndarongedzerwa. Havana kuzomirira havo kamuchato
kedu vakadzokera china kuseni.

Hatina hedu kuita zvema gown asi mai Chichi akativigira masutu akanaka
chose kubva kuSouth Africa. Akauya Thirsday uye Khumbu nemudzimai
wake. Ndaifunga kuti kwaingova ku batanidzwaka toita chitupa chedu ko
ndaiziveyi hangu kuti pane zvakanga zvakarongwa zvikuru.....

283 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 20
Reginald

Ndairarama ka life kari bhoo kepamusoro with the Jameson Smiths inova
ndiyo mhuri yandakaziva my whole life. Ndakanga ndakagara hangu
zvakanaka handidi kunyepa naivowo vaiva nevana vavo vakomana vaviri
nemusikana 1 aiva mukuru kune vose uye vose vaiva vakuru kwandiri.
Ndaipiwa rudo rwakangoyenzana nevamwe vana uye neboys taiwirirana
zvakanyanya asi sis vaiva nerusarura rwainyatsooneka, regai nditi she hated
me asi the fact yekuti majority were on my side ndainzwa kushinga nekuenda
mberi. Kunyangwe ndaikonewa kushinga ndaigoendepi hangu iriyo mhuri
yangu yandaiziva uye ndakanga ndichitoshandisa zita ravo. Sis ndivo vaiti
kana zvakakwidzwa ndaitukirirwa kuti I stink uye ganda rangu rinosemesa.
Wotoshaya kuti nekutsvuka kwangu kuita kunge mukaradhi tanga
takanyanyosiyana papi. Ndaingosimbiswa nekuti vamwe vose vaiva nerudo.

Asiwo kunyangwe ndaidikwa zverudzii nairo ganda dema pane pandaizoti


ndakazvarwa namai Smith here. Mwana wavo musikana uyo had told me
kuti i was adopted kuZimbabwe asi vabereki vacho vakanga vasingatombodi
kutaura nezvazvo. Handina kana kuudzwa zita ramai vangu kana rababa
vangu pamwe ndaidai ndakazama kutsvaga. Chavaingosimbisisa ndechekuti
I was their son, yes because they gave me their name, they loved me, yes I
had no doubt, asi ndaingofeela kuti pane panga pachisarira pasina kunyatsoti
gedye and zvaindidya moyo nguva nenguva. I had the best education
kusvika ndaita degree rangu in medicine ndiine 24 years. Vanakomana va
baba namai Smith vakanga vatokura varoora uye one wacho aiva doctor.
Pane paaifanira kuzoshanda pa clinic yepafarm pababa vacho muZimbabwe
akaramba nekuda kwekusagadzikana kwematongerwo enyika hanzi
tonouraiwa. Ndipo pandakaita volunteer hangu kuzobatsira. Mukutaura
tichikura ndakamboudzwawo nevanakomana va Mr Smith zvekuzvarwa
kwatakaita paSavvana estates. Aiva nekaruzivo Jameson Jnr nekuti aiva
mukuru kwandiri ne 6years asi akanga akanganwa zvakawanda.
Ndaifungawo kuti pamwe ndichasangana chero ne pic ramai vangu kana

284 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kumboita manzwira vachitaura nezvavo. They gave me the best uye kudikwa
chaiko just to destruct me kubva mukufunga zvekumusha.

Pandakava muZimbabwe briefly ndakambozamawo kunotsvaga mai vangu


kuMvuma kwacho kana kuti chero anyone angaitawo ruzivo nehama dzangu
asi to no avail kusvika ndazongodzokera. Mr Smith vakashaika vose
nemudzimai wavo. Vanga vakura vanhu vacho it seems vakanonoka kuita
vana. Ndipo pakazobuda kuti pa will pakanga pakanyorwa kuti a bigger
share of his estate was given to me. Haaa ipapo ndipo pakaita ruvengo
kunyangwe nevaya vaimbondifarira. Ndiko kuzosimuka kwandakaita
ndichienda ku Cyprus kwandakanga ndawana basa. I was rich hangu from
the Jamesons asi ndakasvika ndikashanda ndichimirira kuti humwe
hurongwa hwandaiva naho humboibva, asi ndakazousendeka mushure
mekunge ndawana mai vangu. Pastor vakandiudza nezvavo vakambondi
briefa mbichana zvekuti ndakanga ndaenda sei nema Jamesons uye ndipo
pandakazoziva kuti I had a twin brother wandakanga ndisina kumboudzwa
nezvake. Wavasina kumbotaura nezvake ndibaba vangu chavakangotaura
ndechekuti mai vangu vaiva vega and vakaaomerwa kusvika pakuita
decision to give me away kana kuti kunditengesa.

Honestly handina kumbovatsamwira neither did I judge her for her actions.
Ndakanga ndisingaendi hangu kuchurch zvema chaizvo chaizvo
ndaingoenda pano neapo kuRoma kwaipinda mhuri ya Mr Smith asiwo
naivo serious yaiva shoma. Kungoti zvinhu zvacho zvotongosiyana avo
vachena zvinhu zvavo vanongoita simple and easy zvichitofamba. Chero
paunonzwa vachipupura kuti ndakanamata Mwari vakapindura mumamato
wangu tunenge tuchingova tumashoko tushomanana turi soft futi. Manje
zvedu vatema kuti zviite unenge watoita zvembabvu. Asi apa ndakatoona
kuti uku kwaiva kuita kwaMwari. Zvakatombonetsa kubata mai vangu
pafon vasingadairi naivowo vaitya kuti I might judge her. Ndakazoita zve
message ndiko kugona kutaura navo kwandakazoita. I couldn't wait to see
her. Handina zvizhinji zvandaitaira navo pafon kunze kwekusimbisa kuti
ndaiuya kuzova navo. That's exactly what I did. Yakava misodzi yemufaro
ndichisangana namama vangu nema brothers angu atakabva ropa
ratodairana. Chero presence yavo chaiyo I could feel kuti these are my people.
Ndakanzwawo mawaniro avakaita mama vangu ndikaona rudo mavari
nemhuri yose nekuti ndakaudzwa kuti zvinhu zvavakaronga semhuru kuti
vatsvage mama vangu. Zvekuenda kuparty ndainzwa moyo wangu usingadi
kwete kuti pane chandakanga ndashora ayewa asi kuti ndaingoda kuwana

285 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
nguva namai vangu during our first Christmas together. Zvairamba
kubvumika kuti I had finally found her. Ndainzwa kuti I can't take my eyes
away from her even for a second chero kuvata chaiko ndaivata musame room
navo kuita sekuti ndaitya kuti ndingatizwa zvakare. Chimba chacho
chavaigara regai ndinyarare hangu asi ivo vairatidza kugutsikana kuti at least
she had a roof over her head. Zvakandirwadza vachinditsanangurira
rwendo rwavakafamba kusvika pavakanga vava and she mourned the
death of my twin brother kuita sekuti akanga afa musi iwoyo. Pain
yandakanzwawo neni I imagined mai vangu vari voga vachichema mwana
wavo vari voga pasina anovanyaradza kusvika vazongonyarara vega.
Chinguva chiduku chandakava nama brothers angu ndichiona kudanana
kwavaiita ndakafungawo kuti dai Richard ari mupenyu pamwe
takabatanawo zvakanga zvakaita Dillan na Derrick. Mwana wangu
wandakanzwa kuti ariko ndiye akazoita kuti mama varambe vongopersister
kuti tiende kunomuona. Takanga taitawo Christmas shopping yedu I wanted
to spoil my queen asi takazongoenda kuGweru.

Welcome yacho yatakapiwa ummm tose zvedu we felt kuti yaaa tasvika
pamusha. Patakanzi na Rasta tasvika ndakatombovhunduka kuti pamba
pamogara vanhu vatema here uye mhando yemota dzaiva muparking
dzaingopupura dzoga the type yevanhu vaiva pamutambo apa, obvious
hapana akanga abuda muchitangwena chakaita sechamai vangu. Ndivo
vandakanga ndotyira kuti vangatozo feela out of place saka ndakanga
ndatobatikana neni checking on her every now and then ndichiti ndikaona
kuti vasungikana tobva tatooneka. Asi hayewa vakanga vatova tsika
nditsikewo namainini kuita sekuti vakanga vakazivana kare.
Pandakaintroduswa kuna baba vangu hameno kurova kwakaita hana
yangu so asi kusiri kwekuvhunduka hako. I felt kamwe ka connection so
zvekuti I loved him ndisati ndamboita nguva ngani ndiinavo. After all
zvakaitika zvandakaudzwa pamusoro pavo I still felt it kuti I

loved him. Ko ndaizoti Mr Smith ndivo baba vangu ndavaona varipo.


Chero pavakapiswa ndainzwa pain yacho mandiri zvekuti ndakazvipira kuti
ndichamira kuona kuti vapora. Zvechokwadi kuvatakurira kwatakavaita
kuchipatara kwemukwasha paityisa kani zvekuti vasiri vana chiremba sesu
vakanga vatopa conclusion asi ini ndakaona hangu kuti tikagona
kukurumidza kudzora marwadzo zvaiita. Takasvikomiramira nemukwasha
pataigona napo kusvika paakazokumbira kuti ndisare ndiri in charge
pahospital pavo. Semunhu akanga asisadzokeri kunze uye akanga asina

286 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
humwe hurongwa huri padhuze hwebasa zvakare ndaidawo kuonera baba
vangu padhuze kuti vawana the best care ndakabvuma asi zvandakaramba
ndezvekuva pamusoro pevakanga vagara varipo kare ma specialist.
Ndakazopiwa zvakare kuti ndishande nemumwe lady doctor akanga ari pa
attachment uye ndini ndaizonyora zvakare report yake kana apedza. Mota
yandakanga ndahaya kuHarare ndakanoidzosera mazuva ayo paakakwana
mukwasha akandipa Benz yake kuti ndishandise. Imba ndakanga ndapiwa
zvakare pa hospital asi munin'ina wangu nemudzimai wake vakarambisisa
ndikanogara navo Kumansion kwavo. Ndaiva ndichibvunza bvunzawo
dzimba uye ma stands ndaida ndichida kugadzirawo wangu musha
ndaiyemura chose mhuri yandakanga ndapinda mairi. Vaiva vanhu vane
zvinhu zvavo uye hapana akanga ari tsimbe vaishanda nesimba, vasinga dadi,
vasingatsvinyi, vasina pride uye rudo chairwo rwawaitoona kuti ruri kubva
pamoyo. Ndakaiwana plot kuShurugwi road asi handina wandakaudza
hangu nekuti ndakanga ndisati ndanyatsopedzerana nemuridzi waro. Ndaida
kuzoita zvikuru ipapo ko mari yangu ndaiva nayozve. Not just money asi I
also owned a multimillion dollar property back in cyprus yandakanga
ndichiri kumbofunga kuti ndodii nayo kuti ndotengesa here kana kuti ndoisa
roja. Dillan na Derrick ndivo voga vandakaudza nezveimba iyoyo yaiva mu
second largest city of Cyprus inonzi Limassol, yandakatenga after ndapiwa
nhaka hangu uye ndiko kwandaishandira pa Ygia Polyclinic Private
hospital. They discouraged me kutengesa imba yacho vakati it was an ideal
home for holidays and vacations ndikaonawo iri idea yakanaka. Uye it was
the best investment. Ndaida kutengerawo mama vangu pekugara pakanaka
pavanogara vakasununguka asi dad pavakataura zvekuti vane stand yavaida
kutenga vakazokundikana kuraiser mari yacho moyo wangu wakarwadza
ndikanzwa kusundwa kuti ndiitenge stand yacho ndivavakire pekugara pane
mutsigo. Ndivo voga vakanga vasina pekugara mufamily saka ndakabva
ndaitenga. Mama ndakavaudza ndichitarisira kuti vachapenga kuti munhu
asina chaakambotiitirawo muupenyu asi havana kudaro kwete.
Vakatondikurudzira kuti ndiitire munhu akavasiya avarwadzisa . Havana
kutarisa zvakare ivo kuti vakanga vasina pavo pekugara pavaiti pavo but she
chose kuti dad vatange ivo kuitirwa. Only one thing came into my mind, she
still had something for her one and only first love. Ndakayedzawo
kuzvibatanidza ne sacrifice yavaiita kuswera vakagara kuchipatara nadad
and I drew my own conclusion even if it might have been wrong. I would
secretly admire the way yavaitaura vose dzimwe nguva misoro yavo iri very
close. Ndaingoshuvira kuti dai vapanana another chance neniwo ndaizofara

287 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
baba namai vangu vekutumbira vari pamwechete. Ndakatozoona kuti
handisini ndega ndakaita observation iyoyo nekuti ndakatozonzwawo bamnn
vachitaura zvimwechete kuti dad vangu had reformed saka vaidawo
mudzimai anovabatsira kuti vanyatsova munhu akashanduka
asingazovafungisi kudzokera kumabasa navo ekare, mudzimai aizogona
kuvavaka, kuvaakurudzira uye kuvatsigira pachibasa chavo chavaizama
kumisikidza. Ko ndizvo zvavaingodana vachiitaka kuti chibasa. Ndakanga
ndisati ndamboona hangu kana kusvika pachibasa pacho asi ndaingonzwa
vamwe vose vachingoti it was promising project zvayo. Ndakayemura
zvakare machengeterwo aiitwa Nyasha. Ndakavatya mainini vangu vaitoita
sekuti mwana wavo chaiye asine history yandakanga ndaudzwa naDillan
pamusoro pamai vaNyasha zvaitongoda munhu ane rudo rwaMwari
kuchengeta mwana we munhu akaita upenyu hwako huve a hell on earth.
That's the first thing chandaka admire pana mainini vangu mai Fadzi.
Vanin'ina vangu hose zvavo had been blessed nemadzimai awaiona wega
wakatarisa kuti vakabva kuvanhu vakarairwa vakanzwa.
Ndakatombobvunza Dillan kuti hakunawo here mumwe chero mainini zvavo
vandingatora zvangu.

About my love life, pazera randakanga ndava zvechokwadi


ndaitarisirwawo kuti ndinge ndavawo nemhuri tichitarisa age yemwana
wetwin brother yangu akanga atova grade 7. Vanin'ina vangu vose vakanga
vatova settled nemhuri dzavo zvinova zvakazondipa shungu dzekuda
kuvawo nemhuri yangu. Zvisingarevi kuti handina hangu kumbopinda
murudo kubva kumashure ayewa, ndakatombopindawo mutuma
relationship twekutamba kubva ndichiri kucollege, ndokuzodanana
nemuGhanaian wandaifunga kuti ndiye wandichazo settler naye and uyu
ndakadanana naye for four years dzaaivawo pa college Ku Cyprus ikoko. I
was 32 ndava kunzwa kuti ndava kuda mukadzi manje and
ndakamunzwisisa kuti aida kugraduata first then tozoroorana. Kuuya
kwavakaita kuchikoro yaiva scholarship yaingoita cater for fees only uye
aitobvawo kumhuri isiri very well up. So ndindini ndakanga ndichitoona
accommodation take uye kuti adyeyi apfekeyi.Soon after graduating akabva
aenda kumusha kwavo tiine urongwa hwekuti tichirorana. Ndipo
pandakazomuudza kuti ndawana mama vangu saka ndava kudzokera
kuZimbabwe. Ndipo pandakaudzwa kuti kana wava kudzokera
kuZimbabwe ngazvichipera pakati pedu. Chikonzero chiri chekuti haadi
kuzonotambura in that poverty stricken country for the rest of her life.
Nekuda kwandinoita Zimbabwe ndakabhowekana ndikamusiya ini

288 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
hamenowo kana aifunga kuti ndichazomunyengerera. Akanga atoratidza kuti
chero namai vangu hapana paaizovada. Instead yekuti afarewo neni kuti
ndawana mai vangu vandisina kumbobvira ndakaona chizvarirwo
akatoratidza kugumbuka. Zvanga zvava zvakewo izvo INI I had nothing to
lose uye handisini ndakamuramba. Ndaitomudawo nemoyo wese and our
first sexual encounter a few days before graduation sometime kuna October
ndakawana akazara and ndiye aitovawo muma plans angu. Zvisinei
ndakangoti pamwe akazonosangana newake chaiye akanga akamumirira
kuGhana. Ugoona haana kumbonetsa kubvisa mupfungwa dzangu
nemumoyo. Maybe zvakakonzerwa nemufaro wakanyanyisa wandaiva nawo
wekuwana mai vangu. Last call yandakaita ndichishandisa line reku Cyprus
ndeyandakaita ndichizivisa mama vangu kuti ndakusimuka ndikabva
ndatobvisa line racho muphone. Ndichisvika kuHarare First thing ndakaisa
econet line rangu randaishandisa kareko pandakambouya kuZimbabwe
kupurazi ra Mr Jameson Smith. Ndiko kusiyana kwandakaita na Valery.

Kuonana kwandakaita na Celine pa hospital pemukwasha ndikamupiwa kuti


ashande ari pasi pangu honestly handina dzimwe pfungwa dzekudanana
naye dzakambouya mandiri. She was very beautiful, uye ndiye aivawo one of
the few vachena vanoita structure iri nani, she was also very friendly and cool.
Aingodika so asi kwete hako zvekuti ndingadanana naye. Kubva
pandaidzikisirwa nemwana wa Mr Smith ndichiudzwa kuti "you stink"
ndikabva ndamuudzawo kuti you stink even more. Saka kuti ndigozofunga
kuti ndingafuga gumbeze rimwechete nemukadzi murungu handina
kumbozvifungira kana kuzvirota hangu. Kuwirirana kwaaiita na Tsano Cliff
ndiko kumwe kwakaita kuti ndione kuti she was different. Aiuya kumba
zvakanyanya ndipo pandakaonera kuti she was different. Aiva munhu
anoda kudzidza zvakanyanya zveculture yedu semutauro, chikafu uye
madyiro. Tsano Cliff paivawo nebasa chairo ndivo vaishungurudza mwana
webhunu vachimudzidzisa. Iyewo aibata chose zvaanenge adzidziswa. I
became not just her mentor but also her best friend. Namama zvakawirirana
kusvika pakuti mama vainowacha nhumbi dzadad kumba kwake nekuayina.
Ushamwari hwedu hwakaramba huchikura asi handina kuhutendera kuti
hukanganise basa redu. Ndaisada kumuvhiringidza nekuti profession
yacho yaisatomboda zvemakasa kana uchidzidza chinhu waifanira kuita futi
futi otherwise unonopedza vanhu. As I said before she was a fast learner
chero kubasa handina kumboita dambudziko rekudzokororadzokorora.
Aifarira kutaura shona nema patients waiti ukatevera murwere apinda
muoffice make achipunyaira chiso nekurwadziwa waiwana chatopenya

289 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vachitokurukura vachiseka kazhinji vachiseka kuvhuna kwaanenge achiita
shona yacho.

Mazuva akafamba dad vakapora vakabudawo kuchipatara. Tanga tava


kugadzirirawo zvemuchato was Derrick uyewo kuvaka surprise house yavo.
Vana Dillan had joined me kuti tibatsirane kuvaka. Mama was 100% behind
havana kumbochinja mind. Na Celine we became even closer kusvika
pandakazotanga kuita mafeelings towards her. Ndakamboda kuarwisa asi
ndakatozosvika pakushaya hope chaiko. Ndainyanya kutya zvakare
kuzomukanganisa chikoro chake ava kuita concentrate nerudo akazofoira
zvake. Tsano ndakavanyeurira kuti ndizvo zvandakanga ndafunga ndikafa
hangu nekuseka hanzi "go for it ndakatokura nzira kudhara she is yours. Asi
mobvisa roora kwandiri nekuti obvious kwavo hakuitwi izvozvo".

Ndozvavaiva tsano vaiva munhu wemajokes. Chaindinetsa zvakare


ndechekuti ko family yaizozvitambira seyi kuti ndega ndega pakati pevamwe
ndonovavigira muroora murungu. Haaa panga pakaoma hapo ipapo.
Ndaitarisa zvakare kubatana kwaiva pakati pa mai Chichi, mai Fadzi, mai
Shamma even natete vavo Daphne ndobva ndafunga kuti murungu wangu
aizogona kuzoitawo fit in here. Ndizvo hazvo kuti mama vaimufarira as my
friend asi kuzonzi ndivo mai vevazukuru venyu vaizozvitambirawo seyi.
Ndaiona zvichizokonzeresa ini even division chaiyo mumhuri nekuti
hapaizoshaya vaizoti murungu bodo. Ndotobvoronga mhuri yandakawana
ichiwirirana nekubatana kunoyemurika. Ndakambodyika moyo nekuti
mwana ndakanga ndakuda hangu. Tsano vaindisimbisa vachiti zvinoita asi
ndaiona ari makata. Takazowirirana kuti ndisvitse shoko chero ndikadiwa
ivo vaizoramba vari shield tomboitamba low low ndichionawo kuti ku mhuri
ndingaisvitsa seyi. Pandakasara vamwe vachienda kumuchato ndipo pa
ndakanga ndaita appointment naye isiri yebasa. Ndakaita through tsano
ndivo vakamukoka kumba kwedu since kwakanga kusina vanhu. Vanhu
vose kusanganisira Jane vakanga vaenda ku south Africa kwasara maid na
driver asi vaigara ku cottage. Aigara achiuya hake kumba saka kupinda pa
gate raisava dambudziko aizivikanwa zvakanyanya plus apa aiuya na tsano
ndivo vakanomutora nemota pavaibva kubasa kwavo kuma 7 manheru.
Vakanga vakachenjera tsano vakanbva vangoita kuti tisare tiri vaviri
ndichibva ndangopotsera shoko. Ndaifunga kuti zviri kuvasikana vechitema
chete kuti vanomboda nguva yekufunga asi kunyangwe apa ndakanzi
ndimbomupa time to think about it. Tsano vakazosara ndikanosiya munhu

290 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ku hospital ndega manheru iwayo. Handina kupinda hangu mumba
handina kumbobvira ndakada kuzvijaidza izvozvo. Takamuka tichienda
kuSA the following day raiva zuva remuchato. Ndiripakati pekumakirwa
nemuchato ndipo pakapinda message from Celine kuma 3 pm.

"Hie handsome. Just to add to the joy of the day with this good news in
response to your proposal. I like you too. Let's give it a try.Enjoy your day."

Ndakamboita phone off ndikaibatidza futi ndichifunga kuti pamwe


ndichawana message isisimo. Wane inongovamo. Ndakapa tsano Cliff kuti
vaite verify haaa kuita sekuti ndakanga ndatanga kupinda murudo zuva
iroro. Ndakamufonera ipapo kuti ndizvinzwire and she confirmed her
message. Ndakazobatana nevaimhanyira kunoona vana 4 ndikangoitawo
sekuti ndizvo zvandaimhanyirawo. For the first time kubva patakaita
mafriends I hugged her ndisina kumbotarisa kuti pane vanhu. I don't think
they noticed nekuda kwemufaro wevana waivapo. Ndipo pakatangira
kufambidzana kwangu na Celine. Ndakanga ndazvipira manje kuti whatever
ma challenges ataizosangana nawo mukudanana kwedu ndaizomira naye
and she promised me the same. Taidanana zvakanyanya and she would make
sure kuti she is the first person to wake me up every morning to ask me kuti
"mamuka seyi daddy?" Accent yacho kani ndaimbofa nekuseka zvangu
ndikati tsano vanoenda kugehena chete nekushungurudza kwaaiita mwana
we vanhu. Kumba kwake hand in a kukujairira hapana chakachinja. Rimwe
zuva ndakavigirwa sadza ne beef yakasanganiswa nema veges.
Ndakatombomu sizer ndichiti pamwe isota bure zvake ndikanyepera kuita
busy ndikati ndichazodya ndichiitira kuzorasa abuda. Nenguva yandakazoita
sendichananzva nerurimi nekunakirwa nesadza rakanyatsoshinyidzwa
richinhuwirira. Kubva ipapo ndakanga ndava kuvigirwa a home cooked
lunch nemudiwa wangu. Kumba akanga asisanyanyi kukujairira hanzi tsano
vakati hazvibvumirwi. Chero pa official opening yeimba ya dad haana kuuya.
Ndakangobuda hangu briefly natsano ndikanosangana naye mutown akanga
auya ne taxi tikazonomusiya kumba kwake kuhospital. Apa ndakapinda ini
tsano vakasara mumota ndikambonopiwa kiss ndokuzodzokera zvedu
kwaiva nevamwe.

Mazuva akafamba tichidanana hedu chivande. Pakaitika zvakawanda


mumhuri kusanganisira reconciliation yamama nadad uye muchato wavo

291 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
watakavapamha neimwe surprise zvakare. Vakabva vatonogara kumba
kwavo kuSouth view park ini vana baba namai Fadzi vakarambira neni
hanzi muchazobva pano kana mauya namaiguru mava kuenda kwenyu
kumba. Ndaitoda kumbonogara navo ini ndichimbotemawo zvandisina
kumboita nguva yacho. Asiwo ndakaona kuti zvaizovapawo mukana
wekunyatso bonder and zvaisamboda kuudzirwa kuti paita zvevanodanana.
Zvekuruzevha mama kana kuzomboti bufu nezvazvo vangova kwati kwati
nemukomana wavo. Ndaipota ndichimboenda ko ndichinovata ndaiva ne
bedroom yangu ikoko ndichiyema vachibatsirana kundispoila semwana
wavo one ega. In fact tose zvedu kusanganisira Derrick, Dillan kunyangwe
mukwasha taiva nema bedrooms edu ipapo.

Celine akazopedzawo attachment yake musi wa 22 December. Haaana


kubva adzokera ipapo nekuti baba vake vakati vaizomutora after Christmas
vaida kuzombotenderera naye vachiona nzvimbo. Saka Christmas
ndakamukoka kumba kwadad kwandaitambirawo Christmas. Tsano Cliff
ndakanga ndatovashuvawo vakanga vatanga chikoro Ku school of mines
August akanga adarika apa vakangosvika futi vachidarikira kumusha
kunoona maparents avowo nekuti vakanga vasina mazuva akawanda 2
January vaitodzokera kuchikoro. Vaingova ne 10 days break chete.
Pavakambouya kuzoona babe ravo parakabva kuCanada achizonyora A level
yake handina kutombovaona nekuti havana kutombovata muGweru? Vana
Daphne nemhuri vakauyawo December achitanga vachizoona vana uye
ndivo vaizodzokera na Rue akanga apedza kunyora. Kunyangwe zvakadaro
havana kuonana natsano vanga vari pahasha vaingochemawo kuti babe
akudzokera vasina kuonana.

Takaswera na Celine kumba kwedu kusvika kuma 3 masikati vana mama


pavakabuda vachienda Ku Lundi kwaana bamnn. Ndipo patakasara
tikakundikana ipapo ipapo. Akanga agara aoneka kuti kana akangopedza ku
cleana mumba ndobva ndamuperekedza kumba kwake Ku hospital akanga
achiri kugarako. Ndakatevera kukitchen kwaaiva achisuka ari pa sink
ndikatanga ndakagara pa chair ndakamuyeva kusvika apedza kusuka
ndokuzomutangirira kiss imomo tikasvika pa boiling point imomo ko
yaiitaka seyechionekedzano nekuti baba vake vaisvika the following day
saka kuonana kwacho kwaizonetsa apa vaizenge vachitenderera vachiona
nzvimbo kusanganisira Ku Victoria falls, Matopo hills uye kuGreat
Zimbabwe ruins. Chibvumiramo chedu chaiva chekuti achinopedzisa gore
takanga rasara kuVarsity ndobva ndamutora. She had fallen in love with

292 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Zimbabwe zvekuti takanga tatoita hurongwa hwekuzoitawo private hospital
yedu ku plot randakanga ndatenga kuShurugwi road kana kuti taizoita
lodge ipapo since yaiva mu highway chaimo.

Ndakasimudza munhu wangu tikaenda mulounge pa couch. Ndakanga


ndaipirwa asi chero naiyewo nekuti haana kugona kundimisa zvandaiita.
Akazopatika ndava pamusoro lake pa couch ipapo ndatovapaposition yebasa.
Akayedza kundisunda asi akatadza nekuti kwaitova kurwa kwe nzou
negonzo hakozve. Vaiva neka body kadikidiki asi kaka umbika zvakanaka
hako. Achizama kundisunda kudaro ndakashandisa makumbo angu
kupatsanura ake rumwe ruoko ndokutovhura zip ye short randakanga
ndakapfeka blaz vakangoita zvekupoya. Ndakaona kuti zvekumbomirira
kubvisa belt it would be too late ndanga ndanonokerwa.

"Please hun wait please. I have never done this before and I'm not prepared.
Please!!!"

"Are you a virgin?"

Ndaitobvunza ndichirevesa nekuti handina kumbenge ndataura naye nyaya


dzakarerekera ikoko. Akagitsurira musoro face ichiratidza kuti yakazara
kutya chaiko.

"It won't hurt you will see. I will be very very gentle. And you will enjoy it.
Please just once please"

Musafunga kuti ka pandaikorovhera ndakanga ndakamira ndakarereka


misoro ayewa. Chandakaita kubata tumaoko twake turi tuviri ne one hand
turi pachipfuva pake ndokusimidzira chiuno to create space kuisa ruoko

293 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ku18 area, making sure kuti handimupi mukana wekuita even the slightest
movement. I used my free hand kupeurira ka pant padivi kakanga
kakatotota zvako.

"I'm scared Reg please I'm not ready. I... I...l..."

"Shhh. I love you Celine, and there is no way I could do something to hurt
you. I can't wait anymore sweetheart please."

Ndaiziva hangu the right places to touch kunyangwe ndakanzwa hangu kuti
kwakanga kusina zvakawanda wanda and handina
kumbonyanyozvitarisira hangu kwaari. Pandakaona face yake yaita
expression yemixed feelings ndakanangisa simbi yebasa ndokupusha
kekutanga ndiye ndii. Kana sign zvayo yenzira. Mati imhere yakarira ipapo
kuita kuvharira imba yose. Vakaita simba rakatombondivhundutsa zvekuti
akabvisa maoko ake a ndakanga ndakabata akajegera nawo akuda
kuzvinunura. Ndakatoona kuti ndikapusa ndogona kuzviruza ndibva
ndaita wekubata nemaoko maviri nemuchiuno make ndikaita zvekuruma
muromo chaiko ndokubvarura mwana zvandakanzwawo neni kuti
ndatsemura munhu.

"Ohhh my God its painful"

Ndizvo zvaakangogona kutaura chete misodzi ndiyo yanga yongoyerera


chero simba akanga asisina. Iniwo ndainzwa kuti ndasvuuka pakusenerera
asi kunakirwa kwaikunda marwadzo yacho asi ndaiziva hangu kuti mumwe
wangu vaiva pa nguva yakaoma asi ndaigozvidiiwo ndofunga varume

294 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
munonyatsoiziva nguva yacho kuti pane paunosvika kunzwa kuti mureverse
gear hamuchapindika. Ndakachovha kwenguva isina kureba zvayo
ndikazvibatsirira mukati chaimo. Ndakambofunga withdrawal method asi
zvakandikurira ini. Ndakambopera simba ndakatsamira pachifuva pake
chandaingonzwa kupfikura chete. Ndakazopinda basa kunyengerera
munhu wangu uye kumuudza mashoko echokwadi ekuti handizombofa
ndakamusiya no matter what. Ndakamutakura ndikaenda naye kuroom
kwangu ndikanomugezesa. Dai akanga asingarwadziwi ndakamupamha.
Plus neniwo blaz vakanga vasvuuka. Ndakawacha pant rake and I steamed
it dry ndikamupfekedza. Ini ndakangozvipukuta neku clean a pasofa
pakanga pachiita sepachekerwa mbudzi luck yaiva leather haina kunetsa
zvayo. Ndakawana anyarara kuchema asi ava kungoimba kuti aida kuenda
kumba kwake. Kwakanga kwava kutosviba kuma past 6 zuva rovira
ndikapedzisira ndamutakura kunomuisa mumota ko kana gumbo rakanga
risingasimuki kumwe kunenge kwakanga kwava kuyema. Ndakafonera
vana mama ndichivaudza kuti ndichadarika ndichivasiira remote yegate ko
handiti ndiyo yaiva road. Pandakasvika kuna Marlvin ndakasiya mota
kunze kwegate ndikapinda ndega. Luckily Nyasha vaiva panze ndiye
wandakasvitsa ndikadarikira. Mutown ndakadarika NEPA moonlight
ndichicheka kuti pa 24 hour clinic pakavhurwa here ndikatenga ma morning
after uye ma pain blocks incase akanga asina kumba kwake. Handina
kubvunzwa hangu zvakawanda ndakangonanga Ku dispensary kwacho
ndikaita lucky kusangana newekuziva. Ndakabva ndatongoitirwa madhiri
acho ose ndikabuda ndakananga mumota. Ndakamutambidza ma morning
after ndikabvunza kuti aiziva here basa rawo akangogutsurira musoro.
Ndakasvika ndikasiya ndamubatsira kugarira mvura ine salt. Kaiyema
kamunhu kacho kakaita kuyuwira chaiko.Ndakasiya apinda mumachira
chaimo. Ndakangoenda hangu asi moyo wairwadza. Akanga akanditsamwira
zvekuti ndakaona kurambwa chaiko. Ndakamukirako kunomuona
ndikawana achakavata. Ndakatambirwa nekafaint smile ndikaziva kuti
zvakabhadhara.

"Hey beautiful"

295 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Hey handsome. Mamuka sey"

wakanga watova mutemo kuti ndinokwaziswa neshona. Regai tsano vangu


vakati panopera gore kanenge kava kamukaranga chaiko. Accent yacho chete
ndiyo yaimurasisa asi she was a good learner. Akanga achiti kurawdziwa
hake asi akazondiudza good news kuti baba vake vava kuzosvika musi wa
28. Ndoona ndizvo zvimwe zvaimupa stress kuti aizozvitaura seyi vawana
achitadza kufamba. Vakazonotorwa baba vake Ku airport musi was 28
nemukwasha doctor Chris and kubva ipapowo handina kuzowana mukana
wekuva naye even musi waakaitirwa farewale yakaitirwa pa hospital,
kusvika azongodzokera kuCanada. A day after her departure ndipo
patakasimuka mhuri yose tichiperekedza mwana wangu Nyasha kuchikoro.
Ndakafara kuti baba namai Fadzi vakanditendera to adopt mwana watwin
brother wangu as my own, as an honor to my late brother wandisina
kumbowanawo mukana wekuva naye tichikura tichimborwa nekuita
misikanzwa tose asi I believed God had a purpose. Ndaimuda Nyasha
ndainzwa kuti iropa rangu chairo and she loved me too. Ndingati tose
zvedu na mama nadad taitongoita muchekadzafa nekuti Nyasha was a well
mannered kid and a darling to everyone. All tribute going to baba namai
Fadzi. Takadzoka mukwasha akadzokera nemhuri yake kuCanada soon after
opening yezvikoro ndikasara ndiripo pa hospital pavo he was impressed
nemashandiro andaiita uye humility, ko ndaiva nemari zhinji kwazvo yekuti
ndaigona kungovhurawo yangu hospital igopera nekubwaira kweziso asi
ndakadzidza kuti chimwe nechimwe chinoitwa nenguva yacho, kwete
zvecompetition kana kuonererwa. Mazuva akafamba tichitaura hedu
nemudiwa wangu. Akanga adzokera kuchikoro ava kuita final year yake.
Mukwasha akanga aine humwe hurongwa hwaakanga angonyeurira ini
ndega hwaaida kuzoita surprise birthday yababa vavo muna August saka
Celine akanga ati anogona kutaura nababa vake ouyawo ku mutambo uyu
taiziva kuti havangamborambi. Ndipo pandaida kubva tazivisa kuhama
about us, then kubva ipapo toitawo hurongwa hwekunozivisa kwana
Celine nekutoronga engagement me wedding.

End of March iri Friday ndipo pandakatambira message kubva kuna Celine
achiti she was 3 months pregnant. Aiti zvinosimboitika kuti anojambira cycle

296 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
yake asi zvakatozobuda after arwara ndipo paakaonekwa kuti she was
pregnant. Nyaya yaiva pakuti baba vake Havana kuzvitambira izvozvo and
the most painful part akanga asisakwanisi kupedza chikoro kunze kwekuti
otombomira gore iroro ozotanga futi final year take. Any parent would be
mad at their child kunyangwe ndaiva ini. Asi hapasipo pakanga paine
nyaya, zvaivapo ndezvekuti havana kugashira kuti mwana wavo
angawanikwa nemunhu mutema a Zimbabwean for that matter.

He was forcing her daughter to abort or else he would disown her. Zvino
hama dzangu pachivanhu chedu vatema wongotora mwana wevanhu
wogara naye without consent yevabereki zvakangorema in the event yekuti
pakaitika the unfortunate. Chakanyanya kundivhiringa ndechekuti
pavakanyanya kupa pressure kuti abvise nhumbu akabva atiza pamba and
anga ava ne 2 days achigara neshamwari. Kumba kwemukwasha kwakanga
kusingaiti nekuti naiyewo aigona kutopiwa mhosva yekuti aiziva zvaitora
nzvimbo. Akanga asina kana mari ye ticket yekuti adzoke semwana aitoita
rely nevabereki vake as far as finances were concerned. Kuti nditizve
mukwasha vamupe mari auye kuZim zvaida kutanga ndambotaura kumhuri
kuti ndiyo nyaya iripo kwete kungoona munhu angoti pfacha mumusha.
Zvainyadzisa veduwee vafana vangu vakawana nenzira yakanaka. Zvakaita
mazuva zvichindidya moyo asi maonero andaizviita mukwasha zvakanga
zvisati zvasvika nekuti ndakatombofona ndichingoda kunzwa kuti pane
zvaaiziva here ndikatonzwa nyaya dzacho kuti vaiva murima. Ndakaita
mazuva zvichindidya moyo. Ndakazoti rimwe zuva ndichibata phone yangu
manheru after work ndipo pandakasangana nemashura. Aiva mapictures of a
very cute baby boy. Paiva me message yakanga ichiperekedza ma picture
iwayo yakandipedza simba.

"That's your son, Reginald Jnr, 9 months old now. We will be coming to
Zimbabwe in a weeks time. Valery..."

Ndakazama kufunga kuti akanga awana seyi number yangu


yemuZimbabwe ndikapererwa chaiko. KuZimbabwe aiuya kuzogara here or
kuzosiya mwana. Celine hapana pandakambomuudza nezva Valery

297 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndaingoti she is now history saka achazvigashira seyi. Ndakatenderera
musoro kusvika ndatombokumbira off kubasa ndatoona kuti ndingavhiringa.
Ndiro day randakataurira baba namai Fadzi nyaya yaivapo. We discussed it
semhuri vana voga tisati tasvika kuonana baba. Mukwasha ndipoo
paakatozvinzwira kuti ndakazvimbirisa mwana wemubhunu. Takaitaura
tikaizeya ipapo tikabuda me solution yakasvika ikatambirwa nanababa bhora
rikapirwa kumukwasha kuti aone kuti ambuya vake vauya kuZimbabwe in
the next 2 days......

298 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 21
Mhofu Daniel

Mari yandakanga ndakagadzirawo yezera rangu yekuenda kunoroora. Ndipo


pandakanga ndagona napo asi ndainzwa kuti ndinenge ndarerutsa mudzimai
wangu chokwadi kunomubvisira mari shomanana yakadaro yaiva isingasviki
kana pai zvapo pamari yakanoroora nevana vangu. Asi kutaura chokwadi
ndaiita zvichibva pamoyo pangu. Ndakambopindwa nemweya wekutora
yebasa ndaizongoitawo plan yekuti ndoidzosera seyi asi mai Regi
vakarambisisa chose vakati ko kana yaizoramba kubatana taizozviita seyi.
Kureva kuti taizoita marombe chaiwo. Ndakabva ndatoona hunhu
hwekuvaka uye kufunga zvemberi kwaiva pana mai Regi vakanga vasiri type
iya inongoti chero zuva rabuda rikanyura. Zvisineyi hazvo mwana wamai
vangu akandidanira padivi musi wavakadarika vachinditora kuKwekwe
kuenda ku Sanyati. Ndakaudzwa kuti vakanga vabvumirana na mainini kuti
vandiwedzere imwe mari tikatozoenda ndava ne $5000 usd. Ndakafona kuna
mainini ndikatenda chose. Ndakafungisisa kuti dai akanga ari jail bird uyo
aitogona kuti ngatitoreyi mari yose yekushop iende kuroora tozodzoka
tichiona zvimwe zvekuita.

Takafamba zvakanaka chose kuenda kuSanyati basa rikanobatwa tikasiya


vana sekuru vakagutsikana. Vakanga voda kutaura zvekuzopereka mwana
wavo vakazviramba voga mai Regi vakati chembere ichaperekwa chii.
Havana kupikisa havo vana sekuru nekuti vakanga vachine kakunyara
nemabatiro avakanga vamboita mai Regi. Vozotarisa Regi kuti ndiyo nhumbu
yavakadzingira muzukuru wavo vakabaikana nenyadzi vakapotsa varamba
kutambira mari yaakavasiira achiti vamwe drink. Waitoona kuti mai Regi

299 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vakangoita kuti zvidarike nekuti chero pandakavabvunza kuti vaida
kumbosara nana sekuru here vakarambira mudenga mudenga chaimo hanzi
ndine maorders akandimirira e cobra. Inenge yaitova statement yekuti kana
usingandidi ndopfuurira kuMvuma. Ndakabva ndatoinyarara nyaya yacho
tikadzokera tose. Takasara muKwekwe vamwe vose vakadarikira kuenda
kumabasa avo. Zvandamboti order ye cobra yaingova ststement haina
kuzombobvira yataurwa nezvayo. Kuenda kwatakaita kuSanyati takanga
taita week tiri tose muKwekwe ndimo mavakadarika vachititora. Pane
zvandakanga nda observa hangu pana madam vangu mazuva mashoma
atakava tose iwayo. Musi wandatanga kusangangana naye tiri kuMvuma
haiwa yaiva nhapitapi nekuti akanga akanyatsoshinya zvakanaka. Problem
yaingova pakuti mutambo wacho waingosimbira one side ndini ndaishanda
chose kuti tigute mumwe wangu chake kwaiva kunakirwa. Ndaimbopota
ndichiudzira kuti itai so ita so ndikapedzisira ndaona kuti munhu
achapedzisira ofunga kuti ndiri kuda kumu compare nevamwe vakadzi
vandakamboita. Ndaisamusvora hangu pakuti ndakanzwisisa kuti haana
kumbowanawo nguva yekudzidziswa kuti marriage inoitwa seyi kunyanya
muimba yemukati. Asika pandakanga ndati asare kumba kwanambuya
ndaingotiwo kuda vaiwanawo one or two zvavaizomuzevezera. Zvino kuti
ndiudze zera iroro kuti hausi kunyatsondisvitsa chaipo zvaizoitawo here.
Ndakashaya kuti ndoita trick dzipi chaidzo kusvika ndazogaya kuudzawo
muningina wangu. Kwete zvekushora kana kutsoropodza kana kunyeya
mumwe wangu asi ndaitoda kubatsirwa chaiko nekuti ndaiva
ndisingachadi zvingavhiringa marriage yangu ndanga ndazvipira kuvawo
baba vanoyemurwa nekuvimbiwawo navo. Ndakatoona kuti mwana
asingachemi anofira mumbereko ndosaka ndakaona kuti mwana wamai
vangu ndiye aigona kundibatsira. Ini ndaitotarisira kuti chero mainini vari
mwanana vakaudzwa vauzongotsvagawo way yekubatsira maiguru vavo.
Asi Sunday iyoyo manheru ndakatonzwa munin'ina wangu ofona achiti
agadzirisa. Mainini vakafonawo manheru iwayo kuna maiguru vavo vachiti
vazoona tete vakanga vabva ku Bhuhera. Ndakabva ndatobata maths yacho
saka ndakabva ndatoitawo make sure kuti vaenda Monday masikati with the
hope yekuti zvinonobuda. It was unfortunate kuti ndakanga
ndambopfuurawo nepakati wandeyi ndichiitirwa zvidavado zvose saka
ndainyatsonzwisisa panosvika kuguma kwekunaka saka apa ndaisara
ndakaremberera veduwee. Bvaa ivo mbuya Nyasha vaiboorera kuratidza kuti
vaifairwa neupenyu nekungondivhirira makumbo chete zvopera zvakadaro.
Chemuchizarira ichi chaiva chipenzi hacho asi chaiti musi wazvinenge

300 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
zvakakwidza ndaisiiwa musana wopisa sabhuku vati rakata vasichagoni
kana kusimudza musoro. Manje zvaiva nema sanctions zvebenzi waitoziva
kuti pane zvichakumbirwa after kana kunzi wava papeak "daddy
ndokumbirawo mari yekutumira kumwana" Haaa imika pakadaro
ndaingonongedzera trousers yototorwa ndiri panguva yekuzungaira iyoyo
pamwe kwaiva kutya kuti dzikadzokedzana ndaizochinja mind. Bva zveuyo
yaiva christmas chaiyo yaiuya kamwechete pagore. Zvino nemudzimai
wangu wandanga ndabvisira ndaida kuti mazuva mashoma edu iwayo ave
ekufara kwakapetwa ruzana rwakazanirana. Life is just too shortka hapana
anoziva musi nenguva yekufa apa isu tanga tambotambisa dzimwe 37 years
pamwe tanga tasarirwa nemazuva mashomashoma hezvo ndanga nda
roastiwa nevagoni pamwe dai Mwari vasina kundipa umwe mukana ndava
kutoverengwawo pakati pevakafa nemaronda erutsva.

Baba Dillan akafona Chipiri achiti ari kuuya kuKwekwe kuseni chaiko
ndikangoti kuda aiuya ku car sale kwake. Akasvika ndisati ndatombobuda
kuenda kubasa ndikashamisika achiburitsa taxi bag mumota risina chinhu.

" Ndagara ndauya ne carrier bag yangu last time handichaziva kuti ndaida
chii zviya ndikanokumbirirwa paper bag rainhuwa nyama yakaora panext
door."

"Hooo paya pamaida kuisirwa madora andakabva nawo ku francistown aya."

"Ndakamarasira muna Gweru river ndaisarutsa. Kuti uti raiva nefish here
kana chii haaii ndakazvitadza."

"Saka mainini vaivhara kuti madora ainaka imi makarasira mugwizi shuwa."

Takazomboita hedu makuhwa nemwana wamai vangu ndichiudzwa kuti

301 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
akambopotsa abatikidzwa akaisa nzeve padoor remuguest room maiva natete
nevazukuru vavo.

"Hameno kuti ndaizonyarira pai chokwadi ndaida kunzwa kuti class yatanga
here. Handina kunzwa ma footsteps kufamba kuuya kudoor ndakazongoona
handle yakufamba ndikakasira ku gogodza ndikanyepa kuti pana sisi
vakanga vamuka. Apa zvana zvacho kundinyadzisa takawana pasina kana
one airatidza kuti ambovhura chero ziso one hake. Luck havana
zvavakafungira vakangoti panwe ndanga ndoda service."

Takaseka kuita setichadambuka mbabvu chaiko iyo misikanzwa iyi hatina


kumboiita tiri vakomana iyi. Ndakabva ndanzwa kuva so young chaiko.

"Saka makanzweyi pamwe ndingakopawo."

" Not much ndakangonzwa zvema lemon saka ndanga ndatumwa


kwaKombayi kunoatsvaga ndikabva ndagaya kuti kuno kune munda wawo.
Saka ndabva ndaziva kuti,ndiwo ari kudikwa andakaita manzwira. Saka
ndaona kuti ekutenga anogona kuita mashoma kkkk"

Tanga takuwirirana zvekurevesa nemwana wamai vangu and he had become


my best friend wandaiudza zvose zvaiva muhana mangu. Takatemha saga
chairo rema lemon tikaisa mu boot ndokudarika hangu ndichisiiwa kushop
kwangu. Akandimbundira pamota mwana wamai vangu

"Im happy for you my brother"

Handina kubvunza kuti zvii,chaizvo zvainyanyomufadza nekuti ndakangoita

302 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
zvekuunganidza mupfungwa dzangu,zvakanga zvakawandisa. Just kungova
a new me ndinoziva ndizvo zvaiva pa number 1 chaipo. Chero ini
ndainyatsonzwa kuti im transformed and ndaiva nerugare mukati mangu.
Reformation is just one of more than a dozen things about me zvaiisa misodzi
yemufaro pamatama emwana wamai vangu. Pandakapinda mu office mangu
I mourned the death of my son Richard for the first time ndichinzwa shungu
chaidzo. How i wished kuti avepowo achionawo kudzokedzana kwemhuri
after so many years achifarawo pamwechete nemukoma nevanin'ina vake.
Ndakachema ndichitaura zvekududza chaizvo ndichizvipa mhosva
yekukonzeresa rufu rwemwana wangu. Dai ndakanga ndamubatsira
paakakumbira rubatsiro pamwe angadai akapunyukawo panyatwa
yakazomuwira. Ko Dillan na Derrick were fortunateka kuti vakawana baba
vakavarera vakakura vakaita upenyu hwaichivika. Moti dai Richard akanga
ari pa same level nepakanga paina Dillan aidikwa nevabereki vamai Nyasha
moti vaizosvika pakumutsvinyira nekumunyadzisa here. Ndakaudzwa na
Zex pandakamboenda hangu kaverevere kunomuona kurank kwake
ndichangobuda muchipatara musi wandadzokera kuKwekwe achindiudza
incident yakanyadziswa Richard nababa namai vamai Nyasha vachimurova
road yose kusvika naye kurank mai vacho vakaita wekubata nepabhandi re
trousers akaunganirwa nechaunga chichi svoveredza, chero dai aizowana
mwana wavo vaizogona kutarisana here? Ndakaburitsa photo yandakatora
kuna Nyasha zuva rataziva kuti mwana waRichard ndikariisa pachipfuva
pangu.

"Zorora murugare mwanangu. Asi I will live with this guilt mukati mangu for
the rest of my remaining years. Hauchipo Richard kuti ndigone kuti sorry
sezvandakaita ma brothers ako namai vako. Its so sad hauna kuwana mukana
wekuonawo baba vako vashanduka for the better. Ungadai wanga uripowo
uchiona takabatana namai vako as a family. Ndinoziva wakaita mabasa ose
neanoshoreka shungu dziri dzekuonawo mai vako vachiwana pekubata, asi
zvisinei ndichazadzisa shungu dzako. Munamato wangu ndewekuti dai
Nyasha agona kunzwisisawo kuti ndashanduka handisisiri nhubu yasekuru.
Shungu dzangu ndedzekuona achiwana rudo rwaaizowana dai uri mupenyu.
I don't know kuti ndichazviita seyi asi Mwari vachandibatsira havo. Dai
zvaitaurika ndaitsvaga anga mubatsira ne counselling asi kutonyara chaiko
mwanangu. Chokwadi mabrothers ako akazviziva will they trust me with
their children? Handizivi hangu asi ndinoziva Mwari vachandibatsira. May

303 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
your soul rest in eternal peace. Ndichasvika hangu paimba yako
yawakaradzikwa mai vako vachandibatsira kusvikapo. Just like
kutungamirira kwawakaita mwana wako kusvika kune veropa rake, watch
over her."

Ndakachema mwana wangu kusvika ndatozokanganiswa nefon yangu


yakarira. Vaiva mudiwa wemoyo wangu and she was just checking on me.
Handina kuziva kuti ndakanga ndakayeredzwa mukuchema ne ndangariro
almost 1 hour nekuti vaitotenda malemon akanga aenda nababamunini
vavo.

"Mama malemon ose ayo saga rose iro mukauya maslima zvinhu zvangu
zvanyangarika tichakonana amai."

Kwaanikowo kwaiva kuda kutofeya kuti pamwe ndingaudzwa kuti malemon


ndeeyi. Curiosity yakanga yandiuraya. Hanndina a kuudzwa ini
ndikangoti tichazoona. Muchato wedu takanga taregister kare kwamudzviti
Friday yaitevera taitobatanidzwa Ku court tobva tatova husband and wife
officially ndochinyatsosakura nekuzunza ndima yangu pasina kufungirwa
kuti ndogona kutiza.

Ko ivo vana vacho kungwarisa ndivo vakanga vatova pa forefront


yekugadzira muchato kuita sekuti ndivo vaichata. Ndakatonzwa mai Reg ava
kuti varoora vake vaitobvunza kuti vanoda kupfeta gown vakaita seyi.
Vakaramba zve gown vakati she preferred just an outfit. Takaudzwa kuti
mudzimai wa Derrick akati aizouya ne nhumbi dzedu dzekupfeka
chsakaita kungobvunza ma colours nama size chete. Vakati vaizosvika nazvo
Thursday kuseni vaiuya ne ndege neku Bulawayo. Zvechokwadiwo 11 am
vakanga vasvika ndakafonerwa ndichiudzwa kuti vasvika. Ini
ndakatozoendako manheru after work kuitira kuti Friday ndimuke ndiri
panzvimbo. Ndakasvikowana mai Regi asipo nhai kuchinzi akanga agenda
kwaana mai Fadzi ndiko kwaaizovata omuka achigadzirwa musoro uye

304 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kuzoitwa makeup. Apa ndakanga pfumo rakatotsvuka ndichiti ndombovata
nda nyesvura. Zvisineyi hazvo ndakavata kwaana baba 4 ndokumuka
ndichigadzirwa asi kuita sekuti ndiri kuda kunobuda pa TV. Ma witness edu
baba namai 4 did not disappoint navowo were dressed to kill.
Taizongonosangana ku court he team rimwe rose rakavata kuGweru East.
8:00 takanga tavapo takangosvikirana navo ndivo vataitotyira kuti
vakanoungana kumba kwaDillan vachatadza kuzobata nguva. Ndakaita
kunge ndarohwa nemheni ndichiona mudzimai wangu achiita kunge first
lady chaivo. She looked so young and more beautiful. Vana vangu vose
nevazukuru vaivapo to witness our wedding. Zvakafamba zvakanaka
hazvina kutora nguva na 12 zvakanga zvatopera. Takatorana ma pictures
ipapo ndokuzoona tava kuperekedzwa pane imwe mota Chevrolet yatakanga
tisina kumboona patakasvika.Ndimo matakanzi tipinde imomo ini na Doug
tiri kumberi iye achityaira madzimai edu ari kumashure. Ndakatoshamisika
vana vachiti bhaibhisa Derrick nemudzimai wake vakauya pa window
vachiti pataizodzoka taiwana vadzokera kuSouth Africa.

"What's going on ko hatisi kuenda kumba tose here?"

"No we are not. Isu tiri kukuperekedzai ku Great Zimbabwe mumbonozorora


for one week mozodzoka. Vana vakabhadhara zvose."

Takapererwa veduwee isu zvese izvozvo takanga tisina kutombozvifunga.


Ndakatozoita zvekufona kuKwekwe kuti ndichange ndisipo pabasa for the
whole week ndikavarongera zvekuita pa fon ipapo ndokupindapa road.

"Ko vana nhai mainini?"

Vakatobvunzawo mubvunzo wandaida kubvunza mai Reg.

305 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Vana vari kusara vakoma tava kutorumura"

"Yes maiguru takaona kuti since vabvumiwa ne formula ne porridge zviri


nani kungogara varega havo mukaka wacho. Vari kukurisa vanhu vacho
saka zvava kurema kuvayamwisa musikana wangu akutowonda."

"Eish saka vari kusara nani."

"Vari kusara kwa mai Fadzi just for this week uye mother vekumba kwa
Daphne vanenge varipo to help vachibatsirana na maid since mai Fadzi asati
avhara kuchikoro plus handiti vari kuvhara ne Thursday inouya here. Isu
tiri kuzonodzoka Sunday makuseni."

Ndakambonzwa tsitsi kuti vana vadoko kudaro votoregeswa zamu asi


ndakatoona kuti maybe it was for the best. Ivo mainini vangu vanga
vatoslimmer obvious kwaiva kuyamwiwa nekuti vana four panga pasina
kuchipa. Takazofamba zvakanaka hedu tikasvika Kuma past 5 zuva rovira.
Takangosvika tichiratidzwa executive suite yataizoshandisa vhiki rose. Haaa
ndakapa kutenda hangu.

"Ava mangwana. Zvose nhasi namangwana i room service saka tozoonana


ne Monday kana chipiri manyatsozorora."

306 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Kuzorora kwacho kwaitaura ndakatoshaya kuti kwaiva kuzorora chii kunge
vanhu vakanga vashanda. Chero iko kutravella ndiko kungazororwa 2 days
here. Aipenga mwana wamai vangu zvechokwadi vakabva vatoenda tisina
kana kumbotandara. Takapinda ndikazvambarara hangu pa bed madam
vachirongedza nhumbi dzedu ndakamirira kuti tigonogeza.
Ndakazonovhurira mvura mutub ivo vachipedzisa. Pandakadzoka
ndakanzwa mvura yotorira mushower vava kutogeza.

Ndakaona kuti chero ndika shevedzera havambozvinzwi nekuda kwemvura


yavakanga vakavhura. Ndakazonogeza hangu ndikabuda vatopedza kare
vachitozora mafuta vakaita bagwe zvavo vakafuratira vakaturika gumbo pa
stool Africa yose iri pa chena. Ndaiona zvinyama zvakaita kuremberera
zvinenge zvanga zvati wedzerei size. Ndakaerekana tauro randakanga
ndakamonera radonhera pasi ndatomirirwa kare. Ndakasvika ndikavabata
nemuchiuno vakavhundukira

Vakanga voda kutendeuka ndikavarambidza ndikambundira from behind


maoko angu achinosvika pamikaka ndichinama nama tumakiss nemuhuro
nemuzasi menzeve. Ummm mazamu acho anenge anga ati wedzereyi
kuoma aya. Ndakadzisa rimwe ruoko kusvika kudumbu rumwe rukasara
rwakarinda mukaka. Ndakaona munhu oita sekusebera mberi mbichana
ndikanzwa mhofu vanzi dzviii munhu akafuratira kudaro ndokupuruzirwa
mbichana ndiye pfee pakati pezvikomo zviviri paidziya chose. Kudzinina
muto kwanga kusiri kwenhamo. Akazotendeuka ndokumira takatarisana
kwekanguva pasina adudza asi meso aitaura zvakawanda. Ndakanama
kiss ndakaona munhu atsinzinira ndikadzika pore pore kusvika ndava
padheri. Ndakabatwa misoro nemaoko maviri ndichiita kuchinjanisa
kuyamwa zvangu. Vanga vangochinja soo zvekuti zvainyatsoendeka
taifambirana nepace yakafanana kwete kuti mumwe anosara shure.
Ndakaona munhu okwidza gumbo pastool ndikatorwa rouko rukabatiswa
poto yakanga yaibva zvayo kare. Kutoitawo tumamovement kani
ndakabva ndateurirwa mumuroko imomo muto waidziya. Ndakasimudza
munhu wangu ko nzou ingaremerwa nenyanga dzayo here.
Ndakasvikomurarisa pamubhedha nemusana ndizvo zvandaiziva
zvaaingogona chete. Ndakaona munhu opidiguka otarisa pasi ndokusimudza
chiuno makumbo akapatsanurwa.handina kutambisa nguva akachemerera
mukadzi wangu ndichitseketudza panzira takanga yakanyatsoshinya.
Mvura dzekulubricator dzanga dzava nemwero dzisisina kuwandisa like

307 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
before taisara topedza mutambo rava dhamhu yangova chubwi chubwi
chubwi. Haaa apa panga pongopfudukira kani. Haaa ndakanzwa kuona
gotsi kuti papata ndokurungiwa zvangu akatura mukombe kekutanga
kechipiri tikasangana pakati tichiita ruzha rwekunakirwa ndokutopukutana
ndokutombobatwa netuhope. Takazomutswa nevakanga vauya nechikafu
tikadya tichidanana nekuyemerana. Takasara topedza kudya zvatokwidza
rikashandwa basa kusvika mbuya vaNyasha vochema musana. Neniwo
zvanga zvogombera asi zvaitaurika here munhu wemurume kuti mhai
mandipedzera handichakwanisa. Ndaiona huri hudera chaiho munhurume
ndeanofira pandima. Ko kuzomutswa kuseni nevakanga vachida kucleana.
Takazokumbira kungoita freshen up ndokuenda kumbonofurwa nemhepo
panze ndokuzodzoka Ku breakfast. Takaswera indoors tichingodanana
ndichiratidzwa maresults ekwatete kwakanoitwa vhiki munhu akauya
arungwa huchi. Anga avapfuura vose vandakambomora before.
Zvechokwadi vana baba 4 takatozovaona chitatu chaicho patakaenda kuma
ruins kumbonoona hedu. Pose APA vakanga vakadzima maphone ndichida
kumuudza kuti mwana wamai vangu ndofa hangu nemutakunanzva. Vhiki
yacho yakamhanya kani ndokuzodzokera kumba. Takasvikira kumusha
munyuwani tikawana Benz yamainini iripo.

" Iyi Chevrolet ndeyenyu baba namai Mhofu makatengerwa nemukwasha


akati chipo chake chemuchato chero vasina navo kukwanisa kuvapo."

Ini pose APA ndaingoti sevanhu vane mari dzavo vakatenga imwe mota
kaini. Vakaenda ne Benz yavo tikasara pamba pedu tiri vaviri. We had
another week yekudanana nekuplanner zvemhuri yedu ndokuzoenda hangu
kuKwekwe. I was the happiest person hangu. Mwana wedu ndiye aiva
nemufaro chaiko waaisambogona kuvanza. Nyasha was now his
responsibility akamutsvagira nzvimbo kuboarding school uye ndiye vakaita
zvose zvekuti aende kuchikoro. Christmas hatina kuungana isu takatambira
kumba kwedu na Reginald nemuzukuru uye Celine akakokwa na Reg achiti
aingova oga. Takazobva masikati kuma 3 chaiko kuti tingonodongorerawo
vamwe kuLundi. Takazonovarairwa tikanonoka kudzoka tiakzoona nyasha

308 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ouya ne remote yegate achiti dad vake vatodarika.

January akaenda kuchikoro Nyasha takamuperekedza mhuri yose. Kwaiva


mufaro bedzi bedzi mhuri yose zvinhu zvichiendeka. Some time kupera
kwa March ndakaona baba 4 vasvika kumba vachindiudza nyaya ya Reginald
yekumitisa kwavakaita Celine. Yakazotigura kunorira ndeyemu Ghanaian
ainzi ane mwana waaitouya naye ava kutomhanya. Ndakati nhai Mwari
mwana wangu ongotanga nebarika here. Vakanga vatomboidzeya vana
pachavo vakabuda nerekuti Celine apiwe mari na Daphne nemukwasha auye
asagara musango nekuti patakamudana iye reg akapupura kuti Aida munhu
wake. Akataurawo zvikonzero zvakasaka avanze relationship yake asi
takamuonesa nekumusimbisa kuti muroora wedu taimuda iye
kumugamuchira. Uyu mu Ghanaian haana kuramba zvakare akataura
maitikiro azvakaita uye mwana wacho kana kumborasa zvake akanga aita
dublicate yana baba vake. Akati mwana wake aimuda asi namai vacho
zvakanga zvavharana tikatarisa tikaonawo kuti yakanga isiri mhosva yake
haasiye akamuramba. Tanga tavakuda kuona kuti ari kuuya akananga chii
chaizvo. Chataida kutaura naye osiya mwana wedu odzokera hake.
Akamutumira msg ipapo Reg achimuudza kuti ava nemukadzi asi akangoti
aiuya ne Friday apa yaiva Sunday, Celine aisvikawo Wednesday
sekubvumirana kwatakaita semhuri saka mai Fadzi ndiye aizoenda
kunomunirira Ku airport nekuti kuchikoro kwake aivhara Tuesday. Vaizobva
vatouya na Nyasha nekuti ma boarder aivhara a day before vamwe vose.
Saka vakamukira mai Fadzi kuma 4 chaiko kuti 10 yaidismiswa vana vange
vasvika uye kuzotsvagawo hotel yekuvata Celine asati vasvika aisvika ne
fight ya 4. Vakasvika Thursday kuma 12 masikati vakasvikira kumba kwedu.
Vana vamwene vanga vatogadzira ka small party kekugashira muroora wavo
vakokawo mashamwari avo ekuchurch mashoma. Pakafariwa ndikaona
kusununguka kwemwana wangu achiona kuti murungu wake agashirwa
mumusha. Vanhu vakazoparara havo kukasara isu nemhuri taizovata
pamba pedu tose. Munhu wese ma status anga angozara murungu wedu and
that's what I loved about this family, my family. So united and rudo rwacho
so waipererwa wega. Tisati tavata Reg akatizivisa kuti achagona kumuka
achinotambira mwana wake. That is kana akafonerwa kuti aende.

"I will be doing it for my son handidi kuti agotambura zvandakaita ini. Celine

309 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndakumbira Dillan kuti amuudze zviripo saka mainini mai Fadzi variko Ku
room kwedu uko vari kutaura naye. I just pray kuti azvigamuchire."

Munhu wese had faith in mamoyo zvekuti takangoziva kuti kaiva ka1.
Tichipedza kukurukura pakapinda message pa fon pa Reginald.

"What???"

Akaratidza kushamisika tose tikabva tada kuziva kuti chii. Kunodai waneyi
pane message yakanga yaka highlitwa pic yakanga yakaiswa pa status na
Reginald akambundirana na Celine ndokubva panzi.

"You look great together. I wish you all the best. Come and pick your son by
the gate."

" This must be a joke."

Haana zvaakataura Reg akangovhura gate ndokubata door akuda kubuda.

"Nooo Reginald, its not safe."

Vakadaidzira mai vacho vachitonomubata. Chokwadi zvaisava safe ko kana


yaiva trap. Apa nguva dzakanga dzatova past 10 husiku. Dillan akanga atova
Ku room kwavo uyu mamoyo vaiva Ku room kwaana Reginald achitaura
namainini vake vakabva vabudawo vanzwa noise. Ndakangovasvitsa
phone vakapererwawo. Takazovhunduka tichinzwa knock padoor aiva

310 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
mukomana aishanda mu garden aigara ku cottage yakanga yavakiswa Ku
backyard achiti pane voice remwana aichema panze pegate. Reginald Havana
kuzombomirira kunzwa zvakawanda akabuda ari bara Dillan achitevera
nesuwo yose hapana akazosara. Tichisvikapo takawama Reginald agwadama
akambundira mwana wake akanga ari pakati peroad chaipo. Patakabuda
pane mota yakanga yakamira about 50m kubva pagate pedu yakabva
yasimukawo ikaenda. Kureva kuti ndiyo yakanga ine munhu kana vanhu
vakasiya mwana.

"Shhhh shhhhh its OK Mhofu its my son. Shhhhh daddy is here now. Sorry
mwanangu sorry shhhhh"

Ndakaona muroora aendawopo akanogwadana vakabatsirana kumbundira


mwana wavo. Takatarisa tarisa kuti pamwe tingawana bag renhumbi kana
mufunge aingova iye nenhumbi dzaiva pamuviri. Ndakaona kuti some
people are heartless shuwa. Takatoona kuti uyu munhu akanga ava
nemazuva ari muarea achisora kuona zvaiitika kuti agowana masvikiro

311 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 22
Doctor Chris

Pane zvimwe zvinhu zvaunongoti wakatarisa wega kana kuti wakagara


wonyatsofungisisa unoona kuti chokwadi kutadza kutenda Mwari huroyi
chaiho. At one time pandakamboita kusanzwisisana nemudzimai wangu
ndakatombofunga kuti marriage hapachina. Asi ndaigara ndichitenda Mwari
kuti vakandiropafadza neshamwari yaingozikanwa neni ndoga kuti
ishamwari, vanova ambuya vangu. Pane pandaizodudza here kuti ambuya
vangu ndibhururu? Ndaisanzi ndiko kujairira chaiko. Ndaingozviziva
ndega mumoyo mangu kuti I have a friend indeed. Christabel ndiye
akatangazve kuita sahwira wepedyo before Dillan, we got so close pavakauya
naambuya vangu vachirwara. Ndakazoziva vamwee vose nekuda
kwaambuya mai Fadzi. We became best buddies na tsano Dillan nekuda
kwaambuya vangu. I met my wife nekuda kwaambuya vangu. I got married
zvakaoma nekuda kwaambuya vangu vakamira to convince the whole family
kuti i was the best husband for Daphne. Ndakaporonga marriage yangu asi
she stood nesu zvandakanga ndisina kumbotarisira and at one time
ndakanyatsoona kuti chokwadi vakangondisiya ndarasikirwa ne mhuri.
Nekuti zvose zvakanga zviri mumaoko avo and she was the only one who
could save my marriage. Ndoreveyi, chero dai Daphne akanga akashinga kuti
haadi kuti nyaya yedu isvike kunana tezvara ivo kana vaida zvavo vaigona
kungokaurisa vovaudza. And nema trustirwo avanoitwa mumhuri
waizongova muromo mumwechete chete kuti endai munotora mwana
atambura and raitovira ndisisina mudzimai. Asi ayewaaa ambuya vangu
vakakunda moyo wangu, pakashaika mai vemudzimai wangu ndivo
vakasara vakamira samai muhupenyu hwa Daphne and zvirokwazvo
vakamira samai chaivo to protect marriage yemwana wavo. Vaitomira
vachifukidzira hutera hwangu kuita sekuti ndini ndaiva hama yavo. And
here i was, ndiine mufaro nemhuri yangu upenyu huchitifambira vana

312 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vedu vachikura zvinoyevedza Mwari vachitikomborera and all credit ndini
ndoga ndaiziva kwayanga yakakodzera. Ndaiti ndikatarisa mukadzi wangu
ndaitenda Mwari nekuda kwaambuya vangu nekuti ndainyatsozivaka kuti
zvose zvaaiva it was because of her. Tsika chaidzo dzandakayemura pana
Daphne the first time yandakamuona kuHarare ndakatoudzwa natsano kuti
akadzidziswa naambuya vangu. Ndaiti ndikacheuka kumashure
ndombofunga pamusoro pemhuri yana tezvara vangu, all the rough patches
and hardships dzavakambodarika nemadziri, ndopedzisira ndangoti "dai
machengetedza pillar rakaiswa naMwari mumhuri menyu".

Ndaigara ndichingozvifunga mumoyo asi rimwe zuva ndanyatsogomberwa


nekufunga chaiko ndiri kubasa ndakafonera mudzimai wangu ari kuchikoro
kwake ndikamuudza zvaiva mumoyo mangu

"Ndinoshaya kuti ambuya vangu ndovaitira chii chaizvo nekuti chero chose
zvacho chandingafunga nezvacho ndinongoona sekuti hachirevi chinhu
kwavari. chero kuvatengera mota chaiyo vazere nadzo dzinodhura, dzimba
vanadzo, mari vanayo yakawandisa. Ndinoshaya Daphne kuti ndodii asi
mukati mangu ndinonzwa ndakaremerwa nechikwereti chikuru chaicho
kwavari"

"Ko zvaita seyi nhai Murehwa? Zvabvepi zvose izvozvo zvamuri kutaura"

"Zvagara zviripo hun, asi kungoti chete nhasi ndipo pazvaremera moyo
wangu ndikazvitaura. If it wasnt of her tingadai tisiri pano nhasi. Vabereki
vangu chaivo vakasvika pakundiramwa asi ivo vakaita moyo murefu neni
and nhasi ndiri pano ndichifara nemhuri yangu. I owe her big time"

313 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Muri right ipapo kuti munoshaya chamungavaitira. I feel the same too. Asi
chiripo chatinogona kuvaitira chinodarika zvose zvinobatika zvatingafunga
nezvazvo. Chatinogona kuita is to pray that God may bless her with a long
life izere nemufaro utano uye kuchengetedzwa. Kuzvitenda kana
kusazvitenda, she is the anchor of our family."

She was right. Ambuya vangu dai ndaiva ini ndine makey kana kuti dai
Mwari vakapa ini nyembe dzekuwekera vanhu mazuva avo ekurarama ini
ndaivafevha chete vozofa havo pekupedzisira nekuti ndakaziva kuti so many
souls vachada rubatsiro rwavo.

Chero mudzimai wangu nayewo aigarotaura kuti dai vasiri ambuya vangu
ava hameno kuti angadai ari munhu akaita seyi. Ndichitarisawo divi rangu
kuti dai ndisina kuroora Daphne ndakaroorawo mumwewo munhu
ndingadai ndiri papi, dai ndine mufaro sewandinawo here, dai ndine vana
vanoyevedza sevandinavo here, dai baba vangu nyakutumbura
nehanzvadzi yangu ndiinavo here. All i can say is that i am blessed to have
her and the thought of my family, kungofunga nezvavo chero ndivete would
give me the reason to smile every morning when i wake up. Ndivo vaindipa
simba rekuti chero basa rikarwadza seyi ndaitoshinga nekuti i would be
doing it for my family kuti iwane zvainoda.

Kuuya kwakaita baba vangu mumhuri kwakaita sekuti kwakandivhurira


masuwo emakomborero akanga oita zvekuwodzvoka chaiko. Kuita
sepaizadzikiswa iya verse yekuti "ndiyedzeyi muone kana ndikasakuzarurirai
masuwo edenga ndigokudururirai mikomborero yamuchashaiwa pekuisa."
We were being blessed beyond measure. Vana vedu vaikura zvakanaka chose,
very healthy and very intelligent. Sa doc jnr ummm waitoona ari mudiki
kudaro kuti apa pachaita zvechitofu apa. He was soft anga asina speed asi
paaitaura despite age yake he only talks sense. Rent yandakabhadhara yegore
rose kuna mr Burner ndakabva ndaudzwa kuti yakakwana iyoyo dzimwe 3
years taizongogara free of charge. Mota dekushandisa taingoshandisa madiro
vana tichichengeterwa na Mrs Burner pachena. Mainini Rue
vainyatsowanawo nguva yavo yekuverenga yakakwana pasina ma
disturbances evana. Daphne aiendawo kuchikoro kwake ini ndichienda
kubasa kwangu. Iko kuvhurika kwaiita mikana yacho veduwee dai kuri
kumusha kwedu ndaigona kutonzi ndezvekuromba. Kubasa ndichienda

314 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kudaro kwaibuda ma workshops andaisarudzwa ini kuti ndiende
sometimes ndichitobuda kunze owe Canada chaiko and zvaiva nemari svinu
chaiyo waitoona kuti zvasiyana nemuZimbabwe zvekuti munogona kuenda
kuma workshop nema seminar ekuswera makagarira kupiwa chikafu
modzokera kumba makarembedza maoko. Taisimuka zuva nezuva
tichinyatsoona kuti kumba patichazodzokera after 4years tinenge tava pane
imwe level. Back home zvinhu zvaifayawo Ku hospital zvaiendeka tsano Regi
vakaramba havo kuva in charge asi vaindipa report secretly every now
and then kuti zviri kuramba seyi. Vacho vaiva in charge kana kumbotaura
zvavo asi ndotenda kuti tsano vakandivimbisa kuti nothing would go wrong
as long varipo pa hospital. Yaiva ne facebook page yaipostiwa ma comments
uye ma queries ahhh vairumbidza chose hapana vaichemachema nekuti
vazhinji vaitiwo the service was worth their money. Celine was doing well
ndaingonzwa kuti murungu anotaura shona uye ari friendly and kind.
Tsanowo vaipawo report yakanaka pamusoro pake haditi ndivo vaiva
mentor wake. Regai nditi I was impressed handina kumboita stress
nenyaya yeku hospital. Ndaitotyira kuti tsano vachati kana tezvara vapora
vobva varega asi vakatonditi he would be around kusvika ndadzoka. Pay
yavo vaingowana semamwe ma doctors aivapo handina kuita take advantage
kuti ihama kana kuti vowana yakadarika vamwe nekuti ihama. Izvozvo
ndakaona zvichiuraya mabasa akawanda izvozvo nekuti ukaita zvekuti
ihama haana basa nemari yakawanda anokusiya akanotsvaga mumwe aroona
kuti mutorwa ari nani, zvakare ukamuwanzira ma favors nemamwe as in a
kufanira zvinoita demoralise vamwe vopedzisira vati vanowana mari zhinji
ngavaite at the end of the day basa harichaitwa nemazvo.

Maprojects a Daphne haiwa aifamba. Iyo transparency kani dad vaitumira


every receipt and every invoice. Mari yaingopinda my account. Mari svinu
chaiyo. Akambozama kuvati "mukwasha ( ndiwo madaniro aaivaita ivo
vachitiwo ambuya) imwe mari shandisaiwo zvamunoda muviri unoshanda
unoda kudya"

"Kwete ambuya business harishandiwi saizvozvo. Ndiko saka muchiona ma


business evatema asinga budiriri zvinoenda kure mazhinji acho. Munhu
akangoita kastoro chadikwa chinongonoturunurwa mushelf. Pasina gore

315 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
woona mashelf ava kushama bit by bit pedzisire yavharwa. Handitarisire
izvozvo kuvanhu vakaenda kuchikoro semi. Mari munonditumira wami
kana ndine imwe yandinoda kunze kwaiyoyo ndinokuudzai vanangu. After
all ndinobata mari daily yemuriwo msmupfudze zvandinotengesa saka imwe
ndingada yeyi."

Kwaingonzi ndine ka project kandinoda kutanga kana kanyatsoita shape


ndinokuudzai kana paine parema. Kakanga kasingataurwi kuti ndekeyi
ka project kacho ndikangoti munhu mukuru anga manikidzwa kutaura here.
Vaizongotiudza kana nguva yakwana.

Kumuchato watsano hatina kukwanisa kuenda asi pama video ataiona


zvairatidza kuti wakabudirira chose. Mufaro wakawedzerwa nekuuya
kwemadzimai angu kuita kudirirwa 4 one time. Wakava mufaro
wakakurisa mumhuri and ndakatoona kuti iyi mhuri besides Grace
naMurehwa ndaiva nemhuri yaindida uye kundikoshesa. Takatadza zvakare
kunoonawo vana kunyangwe kuchata kwakaita tezvara hatina kukwanisa.
Vana takati tichazonovaona asi muchato watezvara takatumira chipo
chedu. Ndakabvunzawo tsano Dillan kuti chingava chii chavangada nekuti
imba vakanga vava nayo vakati chekufambisa. Ndivo vandakazotumira
mari vakavatengera Chevrolet ndakangoiona pama pics. Mainini nguva yavo
yekunyora ma exams yakasvika vakaendawo kuZimbabwe kunonyora A
level yavo. Vakatambirwa nemukomana wavo my Bulawayo ndiye
akanovasiya kuGweru. Vaizotimirira ikoko kana vapedza kunyora
tozodzokera Ku Canada tose nekuti taidawo kumbonoona vamwe kumusha
pa Christmas uye kuonawo vana. Takaenda hedu takasiyana nababa va
Celine vakanga vatiwo wavo mwana akanga apedza attachment avamirire
vaizomutora uye vaida kumboitawo a week or 2 vachimbotenderera kuma
tourist attractions. Christmas takaenda ku matopo hills nemhuri yangu
pakanga pasina hurongwa humwe hwemhuri vamwe nevamwe vaitambira
kumba kwavo. Kana ndichiti mhuri yangu ndoreva baba namai Muzambi,
ini nemudzimai nevana, rue na Grace uye Murehwa na mother vaishanda
pamba. Takava nenguva yakanaka chose tikazodzoka musi was 26 manheru.
Ndakanga ndakaneta chose asi 28 ndaifanira kunotambira baba va Celine Ku
airport ndikaita sekudaro. Vakangosvikira kudarikira vachitenderera nenyika

316 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
nemwana wavo. Isu takagara tavaoneka nekuti vaizodzoka tatoenda mazuva
edu aipera musi wa 6 January. Asi new year s eve takaenda Ku all night as
usual takanyorawo ma prayer requests edu egore. Kana mainini vaizobuda
vakapasa vaizotangawo August ku university kuCanada ikoko ava
taizodzoka kumba tichivasiyako vachipedzisa chikoro. Grace anga
achitangawo form 4 yake takawana baba vake vamutengera complete
uniform ya prefect anga asarudzwa kuita prefect apa chikoro anga
akakwatura hake third term form 3. Mainini Nyasha wo vakanga varidza
chikoro vava kuenda Ku girls high form 1. Pamba pakanga pakarongeka
chose hatina chatakashora paibatwa zvakanaka. Dad utano yaiva njanji
chaiyo apa vaiita sevari kukura vachiita mudiki. Kugara zvakanaka
kunongodikanwa veduwee chero ivo mother takapotsa tava shaya kutoita
chigagairwa chaicho. Tsika vakanga vasina kuchinja dzakanga dzatowedzera
chero dad vaipfugamirwa kani. Takati vakawana Murehwa vakura
nekutendeuka zvose kuri kare kwavo vangadai vakatungidzwa kare kare.
Zvose zvaiendeka chose isuwo takadzokera kwedu taida kuzodzoka August
pa surprise birthday ya dad yataida kuvaitira. Hatina watakaudza taida
kungozvirongera tega vamwe taizongovakoka chete. Kuziisa vamwe
taitozoudzwa kuti naivowo vanoda kuva part of the organising team
zvataiva tisingadi nekuti isu tisu taida kuita appreciate baba vedu saka
mubatanidzwa would make the idea lose its significance. Celine nababa
vake takavasiya kuZimbabwe vakazoteverawo just before kuvhurwa
kwemaschools kuZimbabwe. Hatina kuonana nekuti kwavaigara kwaiva
chinhambwe plus isuwo pressure yebasa nechikoro. Celine ndakangotaura
naye paakadzokera kuVarsity achitanga final year take. Aiti kana apedza aida
kuzonoshandira kuZimbabwe kana zvikabuda zvakanaka. Sometime kuna
March ava pakati I got an email kubva kuna baba va Celine vachitaura zve
engagement take to his best friend and business partner's son pa vacation ya
April vachiti it was a surprise uye muchato waizoitwa soon after graduation.
Mukomana wacho ndakabva ndatotumirwa mapics ake yaa aivapowo
chose and they were perfect together pane mamwe mapics avaiva vose. He
was already a well known business tycoon at the age of 25 and was Celine's
childhood friend. Ndakatombopotsa ndapisira kukorokotedza Celine
ndikazogaya kuti yaiva surprise. Munoziva pakazotaurwa zvekuti Celine ane
pamuviri patsano ndakatozvinzwirawo pa group revana ndikanzwa
kupindwa nechando kuti pachabuda chipenyu here ivo baba vake vaiva busy
kugadzira muchato ne engagement. Ndakafunga kuti saka vachazvibvuma
here kuti ini hapana zvandaiziva pamusoro pe relationship iyoyi. Pamwe

317 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vaitozoti ini ndaiziva pamusoro payo ndini ndakatonyengera mwana wavo.
Chakandinetsa ndechekuti havana kana pavakambotaura neni nezvenyaya
yacho kubva pavakaziva kuti tsano vangu ndivo vakamitisa mwana wavo.
Vakazouya kumba musi waifanira celine kuuya kuti agozotora ticket rake
rekuenda ku zimbabwe vakawana asiko. Vakanyatsotaura pachena kuti he
was going to disown her nekuda kwezvaakaita unless she terminates that
pregnancy ochata newavaida ivo. Ndakavaudzawo kuti hapana chandaiziva
ndanga ndisati ndaonana naye. Ndakaona kuti ndikavaudza kwaakanga ari
zvotoreva kuti kuZimbabwe haachatokwanisi kuenda uye vaigona
kutozomubvisisa nhumbu yacho zvechisimba. Ndakangoisira Celine message
kuti amboti mirei kuuya achibva aita sekudaro akazouya manheru chaiwo.
Akataura kuti mwana wake akanga asingaurayi even if it meant kuti baba
vake vamuita disown chero dai Reginald akati haadi mwana wacho iye
mwana wake aimuda. Akataura kuti pamwe ndiMwari vakazviita nekuti
akanwa ma morning after asi pamuviri pakangobata. Even though akanga
ava kupinda pa 4th month saka kubvisa kwaigona kuva very dangerous.
Akamuka achiperekedzwa ku airport na tete vake akaenda kuZimbabwe.
YemuGhana iyo handina kutaura nezvayo ndakati aizonozvinzwira mberi
ikoko. Akasvika akatambirwa zvakanaka taingoona ma status mhuri yose
kuti muroora agashirika. This was unconditional love chaiyo nekuti Celine
aingova murungu asina chaainacho nekuti chero nhumbi aingova nedzaaiva
akapfeka semunhu akabva achitiza. Chero pawill rababa vake nekutsamwa
kwavakanga vakaita anofanira akatobviswa saka akanga angova Celine asina
chaanacho chero chikoro akanga asina. Zvechikoro takaonesana kuti aigona
kungomira gore rimwechete iroro ozonopedzisa kuUZ achinge abatsirwa.
Manheru iwayo aakasvila ndiwo atakanzwa shura rekuti ambuya vekuGhana
vakauya vakasiya mwana. Ndakavakurudzira kuti vagare vaisa nyaya
mumaoko evemutemo incase pane zvinozoitika. Celine haana kuita
dambudziko nemwana taitoona mastatus aine ka handsome kemurume
wake.

Surprise yataironga haina kuzobuda iri surprise sezvataida isu. Vakabva


vatitangira dad vakati vaida kuti kana tikawana mukana tizopembererawo
navo his 55th birthday. Ahh takabva tapererwa isu nekuti vakaramba kana
kubatairwa vakanga vatopedza kare. Yaizoitirwa pa fairmile motel musi wa
10 august. Takazongozvitambira uye zvakatobatsira nekuti program yemberi

318 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
yakabva yaratidza kuti august schedule yangu yaizova very tight ndaifanira
kuenda kuBrazil kutanga kwa August 1-5. Ndaiita report to work soon after
workshop ndozoita hangu two weeks off. Kureva kuti ndaizosvika
ndichitongopfuurira,kuZimbabwe pasina kuzorora. Maiva muna April umu.
Mainini ndipo patakanzwa kuti maresults avo akanga abuda. Takashandisa
candidate number kumaona pa net haiwa vakanga vakapasa chose ma
commercials avakanga vanyora vaine 14 points. Tsano ndivo vakanotorera
madam maresults vakatumira kuitira kutsvaga nzvimbo ye university vaida
kuita accounting. Hazvina kumbonetsa nekupasa kwavakanga vakaita
vakawana nzvimbo ku Memorial University of Newfoundland MUN,
kutown inonzi St Johns yaiva about 7158km kubva kwataigara isu uye by
road waitoda more than 70 hours kusvikako. Saka ivo havana kuzobudirira
kuuya ku birthday vakanga vava kugadzirira zvekuenda kuchikoro. Vana
zvakare vaisara na mrs Burner.

Daphne ndiye akanosiya mainini kuchikoro kwavo vakaita zvendege nekuti


road haaimboikwanisa. Ini ndakanga ndiri kuBrazil saka takazosangana musi
wa 8, 9 tichitopinda pa road kuuya kuzimbabwe. Takaburuka mu Bulawayo
musi wa 10 na 4 pm. Kureva kuti taizongosvikira ku fairmile. Party yaitanga
na 6pm isu takasvika 7:15pm. Takashamisika nema banner akanga
akasimudzwapo akanga akanyorwa kuti PEACE Life Insurance. Paiva
nemota dzaivapo about 4 dzakanyorwa zvimwechete. Parking yakambonetsa
panga pakazara. ma banner acho anga akwandisa aitaura zvakasiyana
siyana, manwe aitaura zve funeral polices, mamwe motor vehicle insurance,
akanga akawanda kani. Takambofunga kuti takanga tarasika pamwe paita
change of venue nekuti officer vatakabvunza vakati paingova ne function
imwechete ye company launch. Which means ava vai launcher company yavo
ndivo vakanga vachinjisa vana dad venue. Kuti tichiziva kuti tonanga kupi
manje takashaya. Phone dzakanga dzadzima dzose. Takazongoti regai
tidongorere tigodarikira hedu kumba kunozorora. Tava pa door takabva taita
mahwekwe na tsano Dillan vachibuda mukati vari pafon. Vakabva vatokata
vachiti vaizama kufonera isu tisu takanga takamirirwa. Kunopinda mukati
kudai face dzaivamo dzakandivhundutsa, vanhu vakuru vemuguta vaivapo.

I was shocked kunzwa kuti my dad had partnered na Mhofu snr vakavhura
PEACE Life Insurance. Ndiko kwaiva kubasazve kune zvema insurance
kubva vari ku Old mutual. Haaa vakatipedza mweya hatina
kumbozvifungira kana nepadiki. He owned 70% shares which automatically
made him CEO. Vakazopa speech vanhu vazhinji vakawisa misodzi

319 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vachitsanangura mawaniro avakaita mari yekutanga project iyi. Musi we
launch iwoyo 1225 people joined muma areas akasiyana siyana asi vazhinji
vaitora mafuneral policy. Yaiva surprise kumunhu,wese chero tsano dillan
vakatoshamisika kuti consutancy dzose from concept to launch zvakaitwa pa
company pavo kusvika pa company registration ivo vakasazviziva. Navowo
vakanga vatouya ku birthday ndiro ravaiziva. Pakazongochekwawo cake
vanhu ndokuzoparara kuma 11 husiku. Takaenda kumba kunozorora dad
vachingopopota kuti tasiireyi vazukuru vavo asi vakazonzwisisa havo.

Kuseni takamuka very late sevanhu vakanga vakaneta. Takarohwa neimwe


surprise zvakare. And this one was a shocker chaiyo.....

320 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 23
Baba Chris (Murehwa)

Dai makore ekuchinya ndaiadzorerwazve

Ndaiapa Jesu wangu ndaikomborerwazveee

Ndosongana sei naJesu

Ndichandomuvigireyi

Zvandisina mumwe oga

Kundoisa kunaShe

Makambozvi notica here kuti panogona kungoita kambo kanongomuka


kachiimbika muhana mako chero ukasakadudza asi kanogona kutoita zuva
rose uchingoti ukaita sekuvarairwa wotokanzwa. Mukazvitarisa kambo ikako
chero kasina meaning kana kuti kachikubhowa seyi the moment
yakanongotanga kuimbika mumoyo mako nomatter how hard you try to
brush it away kanoramba kachingodzoka chete.

This song would play in my heart over and over again ndakavata panhoo
yerufu fighting hopelessly for my life. Paripo pandaimborwadziwa zvekuti
ndaidemba kuti dai Mwari vandizorodza havo asi ndaizoti ndikafunga

321 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
mwana wangu ndaiti sori zvenyu Mwari kutaura kwemunhu arwadziwa asi
ndinoda another chance. Ndaiziva kuti Mwana wangu zvakanga zvakawoma
kuona kushama kwababa vake pamwe asati atomboona kwe murume
achamuroora at her age. Zvaiita nyore pandaibatsirwa neve home based
care vandaiziva kuti vakanga vakazvipira havo kuita basa iroro
rekugezesa nevakaita maune havo sesu. My daughter was still young
kuiswa pa situation yakadaro pazera rake iroro kuti unokurura nekuonerera
baba vako vakakuzvara kuto yanyura makumbo achitapa tsvina zvinhu
zvingadai zvaiitwa neanofuka gumbeze rimwe neni. Zvanga zvakaoma
zvekuti sometimes ndaichemedzwa kwete nemarwadzo epanyama asi
marwadzo epamoyo chaiwo. Condition yandakanga ndava chero mudzimai
wako chaiye anogona kubatwa nemweya wasatan akakuisira wemakonzo
kuti nayewo azorore kana kungomuka akarongedza bag kuti ndazvitadza.
Haisi nyore imi kutapa ndove ye munhu mukuru day after day. Yatinoona
padivi penzira tichifamba tino svipa mate wani nekusemeswa kuzhinji kuita
seuchasvika ukatadza kudya. Chero mukadzi akabvisa mwana napukeni
public kana mubhazi munotonzwa kuti hapana kumira mushe. What more ye
munhu mukuru kuitapa nemaoko zuva nezuva. Ndikati pane
pandakamboona achiita akasunga kumeso chero zuva rimwe chete zvaro
Mwari vangatonditonga nemhosva yekureva nhema. Chandinoziva
ndechekuti aichema asi kwete pandaimuona. I saw a strong woman in my
daughter. Zera racho raindishingisa kuti " dad you will be fine" ndiro
raikunda moyo wangu. Ndainzwa kushinga paaiti paya ndainzwa kuti
zvorema ondibata ruoko oti "dad please be strong and fight please do it for
me I want to see you well again."

Mudzimai wangu chaiye aiti kana anakirwa aihumana kuti "soko munoita
pa muri ndipo pandichafira ini ndotiwo hakuna mumwe anondigonera
sewe handizokusiyi tichaparadzaniswa nerufu" ndiye akazongoti rufu
rwangoisa appointment yekuti "ndingangokushanyirayi" akabva ati
chitsoka ndibereke. Dai akangoenda hake iye manje she ran away with
everything that I had.

Mari yatakatengesa imba kuti kuda ndinoyedza kurapwa akatakura yose


akatiza nayo sare ndangova mupurwa usina pekugara usina mukadzi
usina mari and pamusoro pazvo neurwere. Pandakazoudzwa zve kidney
failure ndakaramwa ini kunwa ma ARVs acho. Zvanga zvichandibatsireyi
hama nekuti chero donor wacho aibvepi. The only thing that I had was my
brave and loving daughter. Moyo wangu wakabanda veduwee kuti despite

322 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kumuregesa kwandakaita chikoro haana kuita chigumbu and she never left
my side. Handina kunge ndamuudza kuti ndiri pachirongwa chekujusa
ndaingokabira ini chivande kusvikawo pandakazosarudza kurega. Chero
paakazozviona tava kugara Ku Epworth she never asked kana to judge me.
Amai vakanditevera kuzoona kuti ndava seyi ndivo vaakaudza zvaivapo.
Nemudzimai uyu takasangana kuParirenyatwa kwandakanga
ndakaadimitwa vasati vati chiendayi henyu munomirira nguva. Vakaita
mazuva vachiuya kuzoita zvidzidzo zvavo zve home based care. Vakanga
vakatoti wandeyi mumwe nemumwe wavo akazopiwa varwere vake
vaaizoita followup kana abuda muchipatara. Saka akatorawo address yangu
ndikamupa yeku Glenview kwatakanga tichigara mazuva iwayo. Saka
paakazotevera akawana tichinzi tava kuEpworth. Aezvineiwo ndiko
kwavaigara vakapiwa address ne former workmate yangu wandakanga
ndatengesera imba. Ndiko kutiwana kwaakazoita. Ndakabvuma kuti
zvechokwadi ndakarega mapiritsi nekuti ndakanga ndisisina tariro ini
ndakatoona kuti kufa kwaitova nani pane kutambura nemarwadzo as in a
solution. Ndivo vakazondibatsira zvakare kuti ndidzokere pamapiritsi. She
would come everyday kumba kwatakatanga kugara mu Epworth achiuya
achindibatsira kugeza. Ndipo pa ndakanzwa Grace achikumbira
kudzidziswa how to take care of me. Panguva iyoyo ndakanga ndava serious
zvekuti ndakatadza chero kuti ndimuti haangazvikwanisi asi
ndakakundikana. Ndipo paakazopota achibatsira kana Masibanda asina
kukwanisa kuuya nekuti aivawo nevamwe vaaibatsira nechirongwa
chehomebased care ichocho. Ahh kune zvimwe zvinhu zvatimombotarisira
pasi kana kushaisa hanya patinozvinzwa zvichitaurwa nezvazvo. Asi
chokwadi ndakazviona kuti kune kuzvipira kwemhando ye pamusoro chaiko
kuti unosarudza kutora nguva yake kubatsira mumwe munhu kumugezesa
nekumushambidza, munhu rume pamusoro pazvo asiri murume wako futi.
Zvaitoda mweya waMwari chaiwo wakanyanya. Ava zvaiva nani ndaiti
vaiita zvavakapikira ko mwanasikana wangu veduwee. Ndaizvinzwisisa kuti
zvakanga zvisina kumuchipira kuwonerera kushama kwababa vake asi she
would do it without complaining. Ndizvo zvaindipa kushinga izvozvo nekuti
ndakaona kuti kuti ndakava very selfish kurega kunwa mapiritsi
ndichingozvifunga ini ndisingatarisi kushingaira kwaiita mwana wangu kuti
kutapa ndove oti kubuda achinotsvaga chikafu uye mari yerent. I felt kuti i
had to get well chero zve one month hayo ndozofa hangu ndayedza
kumugadzirira upenyu. She had shown me rudo rwemhando yepamusoro
kuti vamwe vose vanditiza iye never left my side. Besides kungobatsira ini

323 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
mwana wangu akanga awanawo mai vaiti chero vakauya kumba ndisina
kuzvimamira vaiwanawo nguva yekugara naGrace vachiitawo nyaya
dzaisiya dzanyevenutsa chiso chake. Vaindiudza kuti vakambosvikawo
pastage yandakanga ndava yekurwara asi vakashinga vakarecover uye
vaitova munhu akagwinya chaiko wekuti vakasakuudza kuti vanonwa
mapiritsi hawaimbozviifungira. Saka kungotarisa mai Grace ndaiita tariro
kunyangwe ndiri mumarwadzo akaita seyi. Mugoona Mwari vakanga
vandiropafadza nevana vane moyo wakanaka vane unyoro uye njere
dzakapinza vakanga vakatodza ini baba vavo kuita ma genius. Ndaiti
ndikafunga mwana wangu akanga angotetereka nenyika ndikashaya kana
hanya yekutsvaga kuti akanga anyura pai ndainzwa chero minamato
yandaiita kuti yaiguma paroof hakuna kwayaienda. Ndaidemba zuva rimwe
nerimwe kuti dai angobudikirawo akasara achichengetana nehanzvadzi
yake kuda ndaizozorora murugare. Ndairwadziwa kungomusiya nekuti
ndaitya kufadza vane moyo yakaipa. Zera racho ndiro rakanga rakanyanya.
Iko kwaingovawo kufunga pamwe akangaakatofa hake moti chibviro
chaakaita pamba aine 9 years panga patodarikaka 20 pamwe akanga atofa
hake kare kare kana kuti aitovawo rombe zvake achisukutwa nenhamo.
Zvekuti pamwe aiva rombe zvakanga zvavawo zvimwe chikuru
ndaingoonawo face yake ndomuti sorry ndozorora hangu.

Kugara kwatakazoita muchitangwena chaMasibanda moziva henyu kuti


hakuna kumbonyanya kurwadza mufunge nekuda kwerudo rwavaitipa uye
kuratidza kumwana wangu. Vakanga vasinawo zvavaiva nazvo
vaitoraramawo nerent yemuchimukuku chaiva payard pavo ipapo asi havana
kumbotarisa kuti kwatakanga tadzingwa yaiva nyaya yekushaya rent pavo
ndipo pataizoiwanepi.

Asi havana kuzvitarisa izvozvo vakatigashira tisina kana cent zvaro


vakatiisa muchimukuku chavo chemazen'e pasi richingova guruva. At least
we had a a roof over our heads. Ndakazoona Grace auya neplastic guru
reblack mheno kwaakariwana ndiho hwaakazoita uriri hwacho. Ndaiita
zendichatadza kudya zvaanenge anoshava moyo uchirwadza kuti it should
be the other way round asi ndanga ndisina zvandaigona kuita.
Ndaimboramba chikafu dzimwe nguva ndichitya kuti ndikadya chotevera
itoilet asi ndaizongodya ndaona kuti ndikarega naiyewo aibva arega
kudya kwacho.

Paakandiudza kuti afonerwa nemudzimai wa Chris ummm ndakambotadza


kuzvibvuma. Manheru acho chaiwo ndakanzwa kuti akanga atopinda

324 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
munzira kuuya kuHarare. Zvechokwadi akasvika mwana weujaya hwangu
ndikadonhedza misodzi akambundira hanzvadzi yake achimuvimbisa kuti
all will be fine he was taking over. Moziva chero uri panhovo nyadzi
dzinongokubata ndanga ndonyanya kugomera kuri kunyara kutarisana
nemwana wandakarasa achine mukaka pamhino zvino ndozomuonazve ava
chiremba here. Ndakatadza kuzvibvuma paakati ava kutitora kuenda
kuGweru kuti ndinorapwa ndichigara naye. Yakasvika ambulance
ndikataurwa nevanhu vaiva nerudo ndikafamba utepfe tepfe ndichibatwa
samambo. Ndakasvika nenguva shomanana pachipatara chemhando
yepamusoro asi chipatara chose kuita barara wamhanya kuti pasvika baba
vadoctor. Chero ngirozi yerufu pakadaro ingatadza kumboendawo pa off
here. Manje yanga yapiwa assignment yekuzobaya ini inenge yakatofaiwa
chaiko nekuti yakanditadza. Dai yakati kurumidzeyi doctor vasati vasvika
pamwe yaiwana trophy nekuti pane pandakambonzwa kuti ndamboenda
ndofunga ruviri kana rutatu. Chero Masibanda akatondiudza kuti
ndisafamba ndichityisa vana.

Pakashandwa chose donor akawanikwa kidney transplant ikaitwa


nekubudirira chose. Mapiritsi akanga achimbondirwadza kunwa nawowo
akanga odavira zvosangana nechikafu chakanaka chandaibikirwa nemuroora
hayewa ndakaona mushure memavhiki matatu ndava chigwindiri chaicho.
Nyadzi dzakavapo asi pakasvika padzakapera hadzo ko chero ndainyara
kweegore rose kumwe kwandaogona kuenda pakanga pasina. Ndanga
ndangovawo munhu asi mhuri yangu made sure kuti ndiri comfortable.
Pane rudo rusiri rwekumanikidza panongoonekwa. Grace akachinja nenguva
pfupi pfupi uye akanga otogadzira kuenda kuchikoro kwaakanga
avimbiswa. Vabereki vakanonga Chris havana kubatikana nekubudikira
kwangu kuti ndava kuda kuzongomora pandisina kana kuisa the slightest
effort. Ndakambodonhedza misodzi pandaifunga sabhabha randakatengesa
kuna claybank road kuWindsor park. Zvino ndanga ndati gozwi mumba
nemwana wandaiirega achiitwa punching bag nevakadzi vandaichinjanisa
kunge ma minibrief. Ndaifunga kuti kana ndaita senani ndichatongeswa
kuti maimbovepi nguva yose iyi asi Havana kana kudaro. Vakandirerutsira
zvekuti hazvina kana kunditorera nguva Ku adjuster. Musi wandanzi
ndabuda muchipatara ndakasvika kumba kwemwana wangu ndikachera
chikomba pasi ndikasvipira mate ndikati puuu imbwa inonge. Hazvina
kunditorera mufundisi mukuru kana prophet wembiri kuti andiparidzire
nditendeuke ayewa. Kungovapo kwangu ikoko hwaitova uchapupu
hwakakwana kuti kune chinonzi nyasha. Mhuri yakachengeta mwana

325 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
wangu were just wonderful, kwaakanga akaroora handichatauri.
Waingoona rudo netsika dzaiva nemuroora wangu woziva kuti gavi rakabva
kumasvuuriro. They were just amazing. Ndaimbosungikana asi muroora
wangu made sure kuti ndasununguka. Wainzwa oti "mukwasha mukaita
mweni pano hameno zvenyu muchatorerwa vakakadzi varungu ava
nevakachangamuka". Kubva ipapo tanga tongodaidzana " mukwasha""mhai".
She was like a daughter to me. Zvinongoitawo kana munhu wagarika
unombokanganwa kwawakabva. Kutokanganwa Masibanda veduwee
nekutambura kwavakaita kuti ndirambe ndakarembérera patambo kusvika
ndawana help. Ndakatozopatika pakanzi na Grace anoda kumbonovaona
achitamba Christmas navo ozodzoka. Kungoti iniwo ndakanga ndisina phone.
Chimbudzi chandaiva nacho ndicho chandakanga ndapa Grace ko ini
ndaifonera nekufonerwa nani zvangu plus nguva zhinji ndainge ndiri panhoo.
Muroora ndiye akazo sugesta kuti mai Grace (Masibanda) vauye tizova navo
pa Christmas. Moyo wake mwana uyu ndaingoti dai Mwari amukomborera.
Vakatumirwa mari mother vakaua tikaeda kwaana tezvara va Chris kwaiva
ne party. Takanova nenguva yakanaka zvisineyi hazvo tsaona yakazoitika
ndakangoti zviri common kuvanhu vairarama lifestyle seyandakamborarama
ini. Ndakazoudzwa kalife history kwavo ndakaona kuti ava vaidawo
kunakirwa seni ava. Asiwo kunakirwa kwacho kana kusina kurongeka kune
mubairo. Rimwe ishavi chairo nekuti ndikafunga manakiro akanga akaita
mai va Chris ndipo paunoona kuti shavi harigutsikani. She was beautiful,
humble and hardworking. Hapana chaakanga aaingandiitiri as her husband
asi ndaingoti secretary wangu akangondigarira zvakashata ndoto vhiringika.
Ndakatanga ndichadyira my office zvekubirira pedzisire ndanzi chindiroora
kana uchida kuramba uchidya. Mai vaGrace vaiva maid pamba pedu mazuva
iwayo zvakare vaiva mwana mudiki chose. Ndakakorovhera mazuva
akandipa chikeke ndikazvivhurira zvangu nenhumbu ikabata. Ndizvo
zvakarwadza mai vaChris vakasarudza havo kupfuudza upenyu hwavo.
Grace aitova wechitwo nekuti pamuviri kekutanga pakabva ndokuzoita
Grace. Vakaita zvakare pamwe pakazovauraya ndikatozonzwa kuti vaiva
abuswa na secretary ava. Na secretary takanga tisina mwana tose asi
ndakanga ndakweva sanzu nemashizha aro. Vaiva nevana vavo vasikana
vaviri mudiki wacho aitova zera na Chris. Asi mubairo wacho
ndakazongouwanawo wekunakirwa ndakanga ndava nechirwere. Avawo
Mhofu vakapiswa nemafuta zvakatyisa. Asi zvazvakazongoita kuti tiwirirane
tichitokurukurirana zvemakundiro atakanga taita miyedzo. Ivo zvavo tezvara
vakanga vaita rombo rakanaka kuti vakanzvengana nechirwere. Ini

326 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndakanga ndaberekana nemwana asingabirutswi upenyu hose. Asi hand in a
kurega kutenda Mwari nekundipa umwe mukana.

Mushure me Christmas Masibanda akazooneka hake achiti akanga ava


kudzokera kuti anotamba new year ari pamusha pake uye kugadzirirawo
kabasa kaakanga awana kekushanda mumba. Akapindira zvakare muroora
wemoyo wakanaka akati pane kuti vanoshanda kuruzevha vachipiwa mari
shomanana iyoyo zvaiva nani vasare havo vakachengeta pamba pavo ivo
vachienda Ku Canada. Mari yacho yavaizohora kutoinzana neyemamwe ma
civil servants. Basa guru racho ravaibhadharirwa raiva rekutarisa murume
mukuru akaita seni asingagezeswi asinga fidhiwi. Asi ndakazoti
ndanyatsofungisisa ndakaona kuti maybe it was a way of appreciating
zvandakanga ndaitirwa na Masibanda zvekuti chero hama yangu chaiyo
inogona kuzvitadza. INI chaiye ndaiti paya mwana wangu achindipenengura
achindigezesa ndafunga kuti nhai Mwari kuri kuti ndiye ari musituation
yangu ndaizogona kuita zvaaiita here kana kuti ndaitotsvaga mumwe munhu
kuti aite. Kusiyana kwemoyo. Saka chero neni ndakatoonawo kuti chero dai
ndaiiwana ndaigona kutovatutsira imwe pamusoro.

Kuchurch ndakanga ndoenda kwaienda vana vangu zvekurevesa chaiko


nemoyo wese. Maprojects emuroora ndakaita take over ndaona kuti
havangatsvagizve mumwe munhu wekubhadhara INI ndichiswera
ndakavata plus ndaidawo exercise. Mota ndakapiwa Ford Ranger ndiyo
yandaishandisa even pama deliveries. Garden ndairima zvekurevesa ndichiti
kuseni kugakoga ndaienda kwa Kombai kunohodhesa ma vegetables. Mari
yemazai neyehuku ndakanga ndanzi ndipote ndichishandisawo asi
ndakaramba. Yema vegetable ndiyo yandaitenga hangu forex ndichisungirira.
Ndine zvaiva mupfungwa dzangu asi handina kuda kunetsa vana plus
ndaiziva kuti ndinogona kunzi munoda kushandireyi isu tichikupai zvese
zvamunoda. Iko hapana chandaishaya ndai spoiliwa kusvika ndapiwa
nemari yekutenga ice cream chaiyo. Ndaishaya kuti ndingavaitireiwo vana
ava to return the favour.

Vakazosimuka havo kuenda Ku Canada ndikasara pamba pedangwe rangu


naMasibanda. Grace akazotanga kuenda kuchikoro kwake ndakanomusiya
nemota ndikanosiyawo apinda mudomitory make zvaiita vabereki vazhinji
vaiuya kuzosiya vana vavo ndikasiya ndamubatsirawo kuwaridza bed rake.
Akanondisiya pamota ndikambundirwa zvikanzi

327 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Dad musarega kutora medication yenyu pliz ndapota. Pamunofunga
kurega please think of me"

Ndakabatikana achida kuchema ndikamuvimbisa kuti handaizoita chinhu


chakadaro zvakare.

Mazuva akafamba zvichifaya chose. Kuchurch handina kurega kuenda


mother vachiendawo kwavo kuHwisiri. Basa ravo zvaiita nemazvo handina
kumboita chishoro hangu. Mari yavo yaisvikira nekwandiri ndovatambidza
ini. Yekushandisa pamba yaingouya iri pamwe chete ipapo neye kubhadhara
mvura nemagetsi uye kutenga ma groceries. Aiuyiwa nawo mareceipts kana
vaita shopping ndichipiwa kuti ndione mari yavanenge vashandisa uye
change yacho. Ndakatombozama kuvaonesa kuti it wasn't necessary asi
vakarambisisa hanzi zvinodawo kuti panodzoka vana voonawo kuti mother
vaishandisa mari seyi. Ndakanga ndava kungotambira kuti moyo wavo
uchene ndorasa ndega. MaMhofu takanga tava kunyatsowirirana chose
takanga risinganyuri zuva tisina kutsvagana pa fon tichibvunzana upenyu
sevanhu vakanga vari busy nemabasa avo akasiyana siyana. Asi zvakadaro
hazvo ushamwari hwedu hwakaramba huchisimba zuva rimwe nerimwe.
Patakaenda kumuchato Ku South Africa takambowana nguva yekukurukura
hedu zvetumabasa twedu twataiita uye ndivo vakava munhu wekutanga
wandakanyeurira zveproject yandaida kuita kana ndagona kubatanidza mari
dzacho. Ndaingokati ka project asi yaitova project hombe chaiyo yaida mari
svinu chaiyo kuti ndiitange. Ndipo pakanga pazorora hana hangu ipapo
zvekuti ndaishaya hope chaiko kuti ndoitanga zwyi uye mari yacho ndaida
kuzoiunganidza seyi yecapital. Ndaiva neruzivo rwakanyanya nekuti ndisati
ndava shefu Ku Old Mutual ndakatanga ndichishandira imwe funeral palour
ndiri pa attachment ndokuzoita ndichingodzidza ndichisimuka kusvika
pandakadonhera ndava. Ndakaita survey yangu ndikaita structure yacho
ikanyatsobuda zvakanaka. Yaizova nemabandiko akawanda kubva Ku
funeral, vehicle insurance, life assurance, medical aid uye property insurance
yekuti in the event yekuti imba yako is accidentally burnt down unokwanisa
kuita recover imba yako neproperty yako chimwe nechimwe chawaka insure.
Paida mari yekutanga svinu chaiyo nekuti paigona kuti uchingotanga umwe
munhu and property iri insured for 1 million obva awirwa netsaona achida
kubhadharwa. Accident unotsa ka kuti haina maturity. Kana munhu akajoina

328 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
nhasi vakaita tsaona mangwana anotopiwa full cover.Ndakatanga kutenga
forex bit by bit ndichiunganidza. Vana vangu vainditumirawo mari
yakananganawo neni every month hanzi ndishandise zvandinoda.
Ndakanga ndisina zvekuishadisa INI saka ndaingosungirira. Zviya zvekuti
musandipa mari ndakabva ndazvinyarara kuti ziii chaiko handiti ndakanga
ndava nemuono we gondo chaiwo. Chandisina kumboyedzesera kuita kubata
mari yebusiness remuroora. Ndaisada hangu kuti ndigoita sekuti ndamisa
rangu business nemari yandaitora pa business revana.

Ndainamatira tumabasa kwangu miriwo ichitengwa kunge yedivisi chaiyo.


Hapana pavakambodzoka chero pamuchato wasahwira wangu havana
kukwanisa kuuya. Ndakanzwa kumuyemura sahwira wangu akanga
asarudza kusettler and chakanyanya kundifadza ndechekuti akawana
mudzimai waakaita naye vana. Vaionekwa kuti vanhu vanodanana ko
ndakambokokwa kumba kwavo for dinner tikaenda tose na Masibanda na
Grace. Masibanda was part of us zvekuti hapana pataibuda kunofara
tichimusiya kunze kwekunge azvirambira oga. Kumba kwake akanga atsvaga
munhu anogarapo achiwanawo extra cash aishandisa cabin yose 2 rooms uye
nhumbi dzake dzose dzakanga dzaiswa muchimukuku chataishandisa isu.
Shungu dzake dzaiva dzekuti asimudzewo kana two rooms zvadzo asi
zvakanga zvisina kuchipa. Ndaimunzwira tsitsi veduwee hapana kana
chaaimbotengawo nemari yake kunyangwe yepay aizamawo kuunganidza
kuti agovaka. Gore rakasvika kupera vasina kana hembe nyuwani
yavakazvitengera. Christmas vakati vaikumbira kumboenda kuHarare
kunotarisa kuti zvinhu zvavo zvakanga zvakagara zvakanaka here uye kuti
makanga musingapindi mvura here mumukuku wavo. Vaida zvakare
kunosiya vaona kuti cabin yavo yapinda munhu aivamo akanga abuda.
Ndaida kuzvininipisa kwavo kuti chose chavaida vaikumbira kwandiri ndini
ndakanga ndaitwa in charge. Ndakazoseka pavakaputsa cup chaiyo vakauya
vakagwadama chaiko kukumbira ruregerero. Ndakangovaudza kuti haisi
problem ndichibva ndanotenga exactly yakafanana neyavakanga vaputsa
tikadzosera panzvimbo. Havana kuzobudirira havo kuenda nekuti vana
vakanga vauya kuholiday ya December vachizoona vana 4. Pavakauya
hurongwa hwe project yangu hwanga hwava pa advanced stage ndanga
ndaraiser almost 2 thirds yemari yandaitarisira as capital. Still pakanga
pachine basa chose zvekuti ndakazofunga kuti zvaiva wiser kuti ndivewo
na partner anozotorawo mamwe mashares. Wandakatanga kufunga
ndisahwira wangu Mpofu. Haana kana kukakamira akabva angoti "I'm in"
akaisawo the other third yakanga yasara. Akandizivisa nezvecompany

329 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
yatsano yaiita consultancy ndiko kwatakazonobatsirwa nemazano uye
kuregister company. Takapiwa zvakare loan yataizobhadhara in 1 year
yekutenga mota dzekushandisa dzebasa. Each department yakava nemota
yayo zvose zvikava in place. Takaitirwa zvakare ma pamphlets eku advertiser
uye baba Fadzi akatikurudzira kuita launch. Ndivo vakaita zvose kubva Ku
concept kusvika Ku launch yaizoitwa December on my birthday. Vana
ndakanga ndangovakoka Ku birthday ndaida kuti igozoita surprise.
Ndakaona vanhu vanogona kuchengeta secret. Family ya partner wangu
yakanga ichiziva asi kana kumbobvajura zvavo. By April all was set takanga
tangomririra mota dzedu dzaiva munzira kubva kuJapan dzaisvika muna
July avakupera. Kureva kuti 10 august birthday rangu raizosvika zvose zvava
panzvimbo. Chakanyanya kutifadza ndechekuti hatina kana cent
ratakabatsirwa naro nevana we managed from scratch. Masibanda
akazokumbira zvakare kuenda kumbonoona kustand kwavo nekuti havana
kuzombowana mukana kubva zvavakatadza kuenda muna December. Chero
nemunhu akazopinda mucabin mavo havana kunge vaonana vakangotaura
pafon chete. Apa kwaiva mid April Grace achangovhura kuchikoro.
Vaifanira kuenda vachinodzoka same day saka ndakazongo offer hangu
kuvaperekedza nemota kuti zviite nyore. Tanga tava so close namasibanda
zvakanyanya zvekuti mdakatonzwa kuti I had to help her kuti vafambe zviri
nyore vagodzokawo nenguva since vakanga vasina pekuzovata muHarare.
Ndakavata ndaoneka Sahwira wangu kuti ndichamboperekedza Masibanda
kuHarare. Ndakatoshamisika nepfungwa dzaakafunga ipapo.

"Ummm am I missing something here? Just kungovaperekedza here?"

"Yes kungoperekedza ko pane chakaipa here?"

"Hapana hapo chakaipa asi zvangondiitira funny kuti kungoperekedza maid.


You know what, tinogara tichitaura navadzimai vangu kuti you guys look

330 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
good together zvekuti ndofunga vazhinji vanokuonai vanotofunga kuti muri
couple."

"Hahaha ko zvabvepi zve sahwira izvozvo. Honestly handina kumbobvira


ndaita pfungwa idzodzo ini . APA kungobatsira kuti vafambewo zviri nyore
chete nothing more."

"Zvakanaka Murehwa asi its high time you think of settling down wowanawo
anokuvaraidza. Soon you are going to be a serious and popular businessman
muguta saka zvinongodawo uine anokutsigira nekukupawo chiremerera
usazongoita sezihoromba regudo shamwari. Mari ngaikuwane uine support
wakagadzikana nemubatsiri nekuti pavachanzwa kuti CEO havana mukadzi
vachaita zvekuzviwisira pauri and i tell you zvinogona kuzokuwisira pasi
izvozvo. And my advice ndeyekuti kana wazofunga kuva murume chaiye
don't look any further. You have the right jewel right next to you.
Pamuchafamba kunosvika kuHarare nekudzoka do something usati
watangirwa nevane ziso rinogona kuona zvakanaka. Good luck."

Ndakatadza kuvatazve imi ndichigodzeya mashoko asahwira. "Don't look


any further you have the right jewel right next to you". Chokwadi handina
kumbemge ndazviona ini. Ndicho chimwe chinhu chakaita kuti ndione kuti
ndakanga ndatendeuka zveshuwa. Zvaisaitika mumazuva angu ndichanzi
Chris ini kugara nemukadzi akasvika samasibanda zvongopera zvakadaro.
She was 11years younger than me kasi nekudawo kwenhamo uye kurwara
mazuva andatanga kuvaziva vakanga vakasakara vachiita kunge munhu
mukuru chaiye. Asi manje apa vanga vava kuita kunge vari kuma 30s
nekugara zvakanakawo uye kudya zvakanaka. Vaizvibata zvakanaka, vaiva
munyoro chose uye respect chaiyo paiva pamusha. Very responsible and aiva
munhu uya asingamiriri kutevererwa kuti aite zvakanaka zvaaifanira kuita.
Maduties avo vaiita nemazvo making sure kuti ndadya nekutora medication
yangu in time. Ndaiwachirwa kuainirwa mvura chaiyo yekugeza
ndaiisirwa hapana pandakambotambura. Why ndisina kumbozviona kana
kuzvifunga nhai.

Nenguva isipi I had developed feelings for her and akauya ari very strong
kuita sekuti akatanga kare kare. Kutotadza kuvata chaiko zvekuti alarm ya

331 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
3am yandakanga ndaseta yakarira ndichangobatwa nehope. Ndakabva
ndatomuka ndikageza nekutopfeka zverwendo. Vakasara vouya kuzoti
vanndigadzirire zvekugeza nekupfeka ndatopedza kare. As usual vaitanga
vagogodza vobvunza vari panze kuti "ndopinda here". Vakatoshamisika
kuwana kuti ivo ndivo vaitova sure kwenguva.

Takaita zvekumukira chaiko takasimuka 4:00 am vakaiya vakakumbira


ma key emota kuti vanorongedza zvavaida kuenda nazvo tichibva tapinda
paroad. Ndakarova mota pachigandanga chaiko zvekuti 7 am taipinda
muEpworth. Tichisvika kumaraini kwavo takanzwa siren ye fire brigade
tikatoidziurira kuti idarike ndokuzoenda hedu. Kunosvika kudai wanei
hapana chakanaka vari kuzama kudzima moto chicabin changa chiri
mumarimi emoto. Vakangogona kuti "nhai Mwari wangu mati ndidii?"
Vakada kubuda mumota ndikavabata ndokuvakwevera pandiri
ndikavambundira zvakasimba. Ndakavarega vakachema pachipfuva changu
vakadaro. Ivo vaiva pakurwadziwa asi INI ndaitovawo nezvimwwe
zvandakanga ndonzwa munyama dzangu. Of course ndakabatikana asi
nemabatiro andakanga ndakaita munhu uye semunhu akanga achiri
kupisa ropa nyama dzakadairira. Fire brigade yakangotarisawo hapana
zvavaigona kuita since yainzi i electrical fault.VekuManyame vakafonerwa
havana kunonoka navo kusvika asi it was too late moto wanga wato spreader
kusvika kuchimikuku chaiva nenhumbi dzavo. Zvakatsva zvose mumaziso
edu kuita madota. Apa painzi vanogarapo vacho vakanga vasati vasvika
vaiva mu security saka vaiva panight shift vaitozosvika pamba na 9.
Ndakaburuka ndikaona muvakidzani aiti aiva hama yeroja uye ndiye
akanga abatsira kutsvagira hama yake cabin. Pamba pavo ndipo paiva
nemagetsi saka vakangojoinidza tambo vakacherera nemuvhu kuenda Ku
next door kuti hama yavo iwanewo magetsi. Ndakadzokera kumota
ndikasvika Masibanda achiti "handeyi".

" Hamusi kumboburuka here?"

"Kwete. Zvichabatsireyi hapana chekuchaburukira apa. Dai ndakazongoita


zvekuudzwa hangu kuti ndizvo zvakaitika pane kutsvirwa ndakatarisa kudai.
Ndarwadziwa."

332 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Handina kuita nharo takangosimuka ndokupinda pa road. She was crying all
the way. Alarm yakarira pafon pake tichangobuda muHarare achibva ati
ndiwane pekupaka. Ndakaita sekudaro ndikaona ovhura kuma sure kwe
mota takanga taenda nayo iine canopy. Vakaita kuda 10 minutes ndikaona
ndodaniwa. Makanga mawaridzwa zambiya porridge rainhuwirira dovi riri
muma bowl maviri. Paiva zvakare ne flask yetea nema scones.

"Idyayi mugonwa piritsi renyu"

Ndipo pandakatozoona kuti 8 yanga yakutochaya. Ndakadya kupedza iye


achingotopora topora. Ndakatora bowl reporridge yake ndikakumbira
kumudyisa. Akamboda kuramba but I insisted. Ndakapiwa piritsi rangu
ndokunwa ivo vachinwawo ravo. Ndipo pandakatozoona kuti tainwa
mapiritsi nguva yakafanana. Vakarongedza ndokupinda mumota kuti
tienderere mberi nerwendo. Ndipo pa ndakatoona iri mukana wekusvitsa
nyaya yangu. Vakatovhundukawo vakanga vasina kuzvitarisira.
Vakambotsaratsara kuda kuramba asi manje Murehwa vacho vanga
vasingabvumi defeat zvekumhanya. Ndaiziva mabhatani ekubata uye
mashoko akakodzera. Yakatozotsva wani kiss mumota imomo
ndokuzosimudzira rwendo zvabhadhara kwangu. Ndipo pakatangira rudo
rwedu naMasibanda. Ndaidawo kuti soon after launch ye company
ndoroorawo. Ini ndakanga ndisisina kana mari yose yakanga yaperera
kucompany asi ndaiziva hangu kuti ndaiziva kuti ndaizoiwana hangu soon
after basa ratanga. Ndaida kutobva ndatotamisa munhu wangu bedroom
totogara semurume nemukadzi asi akarambisisa akati zvaiva nani vana
vatange vaziva zviripo zvisazoita sekuti nguva yose tanga tichiita chipfambi
mumba mevana. Vaizongoti shiri ine muririro wayo hairegi zvinova
zvandakanga ndisingadi. Zvakanga zvakaoma hazvo kufa nenyota makumbo
ari mumvura asi ndaigozvidii. Kiss chaiyo ndakanga ndatoitsanya nekuti
yaitokonzeresa asi kunyangwe zvakadaro my love for her grew with each day
that passed.

Mazuva akafamba mota dzedu dzikauya. Kungoadvertiser kwakaitwa launch


mafon akabva atotanga kupinda vanhu vachida kutora mapolicy

333 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
tichingovaudza kuti vamirire musi we launch. Masibanda namai Regi
vakanga vonyatsonzwanana chaiko nguva zhinji ndiko kwakanga
kotengwa zvekucleanisa uye mai Regi vaiuyawo kumba zvakanyanya since
varivo vaiva nemota ndivo vaishandisa Chevrolet. Ndakazonzwa ndakunzi
naMasibanda"cake re launch here birthday ndini ndichabika if you don't
mind". Apa kwakanga kwangosara 2 weeks chete kuti launch isvike.
Ndakanga ndisingadi zvemakasa zvigozonyadzisa kwauya vanhu vakuru
vochekerwa chumodho. Ndakamuti atenge ma ingredients ose aidikwa aite
sample. Ndakadzoka kudelivery rimwe zuva ndikawana abika macakes
maviri mahombe, red velvet me black forest. Kutokunda rekushop randaida
kutenga. Ndamupa go ahead yekugadzira ndikamupa mari yacho.
Rakabikwa 3 tier rakashamisa kunyangwe baba namai Mhofu. Hatina kuziva
kuti paiva nechipo chakagarirwa kudaro. Pakaitwa rimwe zvakare rikanzi "
welcome home family " rikaiswa mufridge.

Zuva re launch rakasvika zvinhu zvose zvakarongeka. Mhuri yangu


yakasvika kuma6 vakapera mweya. Ndakanga bhowekana kuti havana
kuuya nevazukuru vangu chete. Pakapera launch takaenda kumba for yet
another surprise. Akaburitsa cake Masibanda rekugashira mwana nemuroora.
Ndipo pandakaparura nyaya yangu husiku ihoho. Muroora akangosimuka
seanonorongedza maplates ndiye nyaa ari kukitchen.

"Hapana chakaipa daddy kana imi vaviri mabvimirana mukawirirana. I'm


happy for you."

Hatina kuvanzira vana kuti takanga tisati torarama upenyu hwemurume


nemukadzi uye zvakare kuti ndizvo zvatakanga tava kuzoita
ndichiunganidzawo mari yekunopa hanzvadzi dzaMasibanda
kuMberengwa. Akamboda kuti dad ndokupai mari yekunoroora mugare
mazvipedza ndikarambisisa ndikamuudza kuti mari yekunoroora haipiwe
munhu. Munhu anofanira kurwadziwa yekunoroora mukadzi wake oga
ndiko kuti agomukoshesa. Chaakarambisisa ndechekuti tinotsvaga pekugara
vakati hakuna kwataienda kusvika ivo vadzoka zvachose kumusha. Kwanga
kwasara 2 years 3 months kuti muroora apedze chikoro. Takazorwadziwa

334 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kuti vakanga vasinganyanyi kugara vane zvavaimhanyira kuCanada.
Takangoswera navo manheru vakauya vachotorwa na driver wavo akaenda
navo vaizonovatira ku harare. Chero kumba kwaana mai Jnr vakangonoita
a few minutes vakadzoka. Takasara pamba tava vatatu na Grace since yaiva
holiday. Akakasira kunovata tikambosara tichitandara namai Murehwa. Ko
pane chii chakanga chichamisa. Ndakatangirira munhu wangu pasofa ipapo
kumukisa and madairiro avakaita aiva nechirevo. Ndakazomutakura kuenda
naye kuroom kwangu ndatoparara kare. Ndakavhura drawer ndokutora
zvekushonga ndakanga ndakazvigadzira kare ndichingoti in case tinogona
kukurirwa. Ndakazoibatsirwa kupfeka maoko ava kubvunda
nekunonokerwa. Ndakaenda pamusoro nekutonangisa ndakanga ndakuvara
kare. Handina zvakawanda zvandakatsvaga ndaingoda kutura musengwa
chete. Vakaita kakugomera ndichipinda nzira yacho yakanga yakamanikana
chose. Zvakabva zvatokurira ipapo ndisina kana kupereredza
ndokutodzutuka. Moti ndaidiiwo nhai kana munhu achiita seasina
kumbozvara ko iyo heat yaibudamo. Ndakabviswa butiro rangarasviba
ndikapukutwa. Kungobatwa chete john chakabva chatogumbuka zvakare.
Ndakapfekedzwazve ndokuita zvekugarirwa nemwana wemuera shumba ini
ndichirovawo ndichibva pasi. Ahhh imika nyambisirwa ndanga ndigere
nenhaputapi mumba gore nehafu yose.

"Shaaa wairegerei kundipawo mutakunanzwa uyu nguva yose iyi eishh


ummm zviri kudii Masi wangu"

Ndakadairwa nani zvangu munhu anga angowowora. Lucky kuti bedroom


remwana raiva kumuchatokwe corridor chaiko ainzwiririra chokwadi.
Ndakanzwa kudziya ndikaziva kuti chirongo chaturwa nemi ndikasvikawo
pa station. Takanogezesana ndokudzoka hedu kuzovata takamonerana.
Takazomutswa ne knock Grace achiti porridge yava ready. 8 yakanga yava
kutochaya. Ndini ndakazobuda kunotora madam vaichemachema
nemusana....

335 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 24
Shumirai

Chinhu chinongorema chete kana uchinge usati wachitanga ndipo panenge


paine kuzengurira uye kuverengera. Asi the moment yaunongoita take off
chete unonzwa simba rekuenderera mberi uye kupedzisa zvaunenge watanga
richiuya. Kunyangwe rungava rwendo chairwo unogona kuzengurira uye
kupa ma excuses hobho hobho usati watanga asi paunongoti first step
unobva wanzwa that urge to finish zvaunenge watanga.

Pane pandaitombofungawo kuti ndichaendawo here kuchikoro ini


especially pandakakundikana kuenda nguva yandaifanira.
Ndikatombozvisimbisa ndega nerekuti "haaa after all ndine mari dzangu
kudzidza kweikowo nako." Unobva watanga kutaridzwa vamwe
vakabudirira zvembiri vasina chikoro chavainacho wobva watoona kuti
haiwawoo zvekusimukira izvi its by chance kwete kuti wakadzidza
zvakanyanya.

Asi pandakangotanga kuenda kuchikoro ndakatoona kuti zvakawanda


zvaiendererana ne profession yandakanga ndasarudza zvandakanga
ndisingazombofa ndakaziva dai ndisina kuenda kuchikoro. And after all I
was fulfilling my dream yekudzidza kusvika ndanzwa kuti ndagutsikana.
Hapana chakanga chichandimisa pandaizonopedza mwana wangu aizenge
akura ava ne 4 years kana kuri kuita mumwe ndoita ndotoita continue ne
masters yangu. Zvimwe zvinongoda kurongeka chete hazvizomborema.

Hapana kana chaka disturbiwa nekuti ndakanga ndava kuenda kuchikoro


ayewa. Kumba kwangu kwakanga kwakangorongeka zvakadaro and i was
managing to have enough time ye kuita wo zve mhuri yangu pasina anova
inconvenienced. Mwana wangu ndiye wandaitombotyira pandakamuregesa
mukaka asi haiwawo kakatokurumidza ku adjuster aka nekutoziva kuti

336 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
mama ndinovaona manheru. Hapana kana chakachinja paari aingokura
zvakanaka. I always made sure kuti pandinenge ndiripo I give her time
ndichimuongororawo kunyangwe madevelopments anoitika paari. Daddy
vake ndaivapawo yavo nguva yakakwana and naivowo he was very
supportive handidi kushora. Sepandainge ndichigadzirira kunyora ma exams
at the end of each semester he would take time nemwana kuti ndiwanewo
nguva yakakwana yekuverenga. Iniwo I made sure kuti baba vawana nguva
yavo uye kudya kwavo kwakakwana haana kumboita chishoro ipapo.
Maduties angu ndaiita nenguva dzose. I adjusted panguva yekumuka
nekuti ndaisiya ndacleana mubedroom mangu ne kuita ka washen kangu
nemurume wangu. Bedroom redu raibudira pa balcony paiva ne line
rekunika nhumbi shoma shoma dzedu tiri vaviri dzepakati pevhiki
dzaikwana uye paraiva pakanga pasingapindi zuva kana mvura yekunaya asi
mhepo yekuti nhumbi dziwome yainyatsorova zvekuti ndakanga ndisina
pressure yekuti ndinozoti umwe munhu agosara achindibvisira washen
yangu nekuti ndaiziva kuti chero kukapisa kana kunaya dzaiva safe. Kazhinji
ndaitowacha nema pants angu neemurume wangu ndonika pamwe chete
nenhumbi ndakanga ndisingachengeti washeni mumba uye handina
kumbobvira ndaita tsika yekuwachirwa kana kutsvairirwa mubedroom
mangu namaid. Iyo yaitova no go area ndakanga ndakazvingwarira
izvozvo nekuti mukufamba umu munzira yeupenyu unodzidza nekunzwa
zvakawanda. Pane umwe murume wa ndakanzwa aiva mufundisi
akapanduka akaenda na maid vanhu vakakatyamadzwa nazvo munharaunda
nekuziva kwavaiita couple iyi. They were a model couple mumhuri uye
munharaunda mavaigara kunyangwe nemuchurch mavo. Zvozobuda paya
marriage yatozungunutswa kuti maid akawana access mubedroom akatora
nguwo ya Man of God akanogadzirisa and he fell for her. Kutozozviziva
abuda demon muchurch ndiro rakazotaura zvose. Asika chero zvakadaro
kuvimbana kunenge kwatapudzwa. Saka isu zvakatinakira pakuti bedroom
redu raiva kufar end takanga rakadesignwa in a way yekuti uchidzika ne
corridor yekuwestern wing wainosvika pane French door rawaivhura
wodzika futi ne corridor wonobudira pa balcony. Mucorridor imomo after
French door ndiko paiva ne door raipinda mu master bedroom medu.
Ndichidzokera kumashure ndinorangarira kuti ndiro bedroom raishandiswa
na Lisa mavakatorwa video naPrince nepa window aine dhara rake musi
waaifanira ku engager na Dillan. Kuwestern wing kwaiva nerimwe
bedroom rakadaro zvakare rinova raishandiswa na bamkuru Regi takaitira
privacy yavowo ikoko. Asi vakazenge vava kusheya na bestie tsano Cliff.

337 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Saka kubva pa French door raiva mu corridor iri kusvika kubalcony yaiva
territory yedu tiri two nemurume wangu hakuna aigona kusvika ko kana
tisipo nekuti pataibuda ndaikiya bedroom yangu uye French door remu
corridor. Chero taida kuita mutambo wevakuru pa balcony panofura mhepo
hapana chaititadzisa hapana aitiona.

Saturday ndipo pandaizoita washen yema sheets yaida space yakakura


yekunika uye kuayina washen yandaiwacha vhiki rose ndozotevera hangu ku
office nekuti ma sessions e counseling aitanga ma 12 masikati Saturdays
only. Ndainzwa kutya ne wisdom yaiiswa mandiri namwari pazera rangu
iroro kuti vanhu vakuru chaivo vaiuya kuzomora mazano kwandiri vamwe
vachitodzoka kuzotenda kuti vakabatsirika.

Sundays taienda kuchurch mhuri yose kunotemda Mwari vaiita mabasa


makuru muupenyu hedu yose zvedu semhuri.

Tsano Cliff vakanga vachiendawo kushop kwa tete kwavaibatsira. Dad


Sinyoro Dillan akataura navo akavaonesa kuti tsano vaida zve kuenda ku
school of mines vakazozvinzwisisa havo. Takavati vasiye responsibility ya
tsano mumaoko edu vakamboda kuramba but we insisted. Saka August
vakaendawo kuBulawayo kunotanga chikoro. Takapedzisira totovashuvawo
nekuda kwe pressure yavaiva nayo. Vakangouya vachizosiya mainini Rue
pavakavatambira ku airport vachiuya kuzonyora maexams avo. Haana
kutombovata muGweru akangoita uturn kana kumba haana kusvika
akangoona tsano vake kuoffice akadzokera kubyo.

Nyasha akabudawo akaita kukwapaidza chikoro pakabuda ma results


muna December. Bamkuru Regi vakakumbira kuti vachiita takeover kubva pa
takanga tasvikawo tikaona pasina kana problem. Vaimuda mwana wavo iye
achidawo dad vake zvakanyanya asi problem yakazovapo pakuti anogara
nagogo nasekuru vake kuSouth View. Baba vakanga vadyara fear mumwana
zvikatotora effort chaiyo kuti ndigare naye pasi nditaure naye anzwisise kuti
sekuru pa nguva iyoyo vaiva murwere now he is a changed person.
Akazoenda achisununguka bit by bit akasara oenda ku boarding school
vava kutonzwanana. Aizodzoka April holiday achitonanga kunogara nagogo
nasekuru vake.

Christmas iyoyo akatonoitambira Ku South view kuna gogo vake nasekuru


vake. Ndakaona nema status kuti vanhu vaifara chose pamwe achimbobuda
akaberekwa na sekuru vake pamwe vachitamba soccer Ku backyard.
Ndakaonawo kuti Celine vakanga vainaye ikoko ndakatoona kuti nesu

338 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
takanga takanganwa kuti kune mwana anenge achingova ega.

Rimwe zuva takatovarairwa akauya mubedroom medu matakanga takagara


akakumbira kuti aida kunoona mama vake asati aenda Ku boarding school.
She was only 14 hameno kuti vaizonobvuma here kuti apinde. Asi zvinhu
zviyedzwa. Ndakanzwisisa kuti 5 years dzakanga dzatodarika asina kuona
mai vake. Plus aivawo ne excitement yekupasa kwakanga aita yandakanga
nzwisisa kuti she also wanted to share with her mom. Dillan anga
amboendako hake musi wa 23 achivavigirawo ma groceries e Christmas. Saka
a week before opening takaronga na mama mbuya vaNyasha tikaperekedza
mwana kunoona mai vake. Sekutaura kwandamboita results slip yake ne
admission yake yeku Queen Elizabeth ndizvo zvaakatanga kukumbira kuti
aida kunoratidza mai vake. Takanga tava kuzivikanwa pa SFP zvekuti hatina
kana kumborambirwa kuti mwana we a popular woman akanga achida
kuona wo mai vake. Lisa had become a celebrity mujeri imomo in her own
way. Paizonopera gore aitograduater obata degree rake in social sciences.
Akauya vakambundirana nemwana wake tikavarega vakachema kusvika
shungu dzapera.

"Kwasara only one year mommy kuti muuye kumba. Ini ndinenge ndatova
form 2."

"Yes my angel we will be together very soon. Iwe ramba uchidzidza


nesimba uri mwana anoteerera handiti."

Excitement yake yaionekwa even in her tears. She did the introductions
herself.

"Ava ndivo mama vakandizvara ava gogo. Mama , ava ndigogo mama
vaDaddy vangu vainzi mai Richard now vakunzi mai Reginald."

Ndakazotsanangura kuti lead yaakatipa Lisa kuti tinotsvaga mai vaRichard


yakatisvitsa pavari. Dillan kuenda kwaakaita negrocery haana kumbenge

339 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ataura nezvazvo.

"Nabamnn pavakauya hatina kuonana ndakanga ndiine vanhu vakabva


kuMASO (Midlands Aids Support Organisation) vandiri kushanda vavo
mazuva ano. Ndakazodanwa ndichitambidzwa grocery makaita basa
veduwee Mwari vakukomborereryi nemoyo wenyu. Ndinovimba pa
graduation muchange muripo muchifarawo neni. Tinonograduatera kuMSU
ndiko kwavachaenda nesu on the day regraduation kuno kepewa
ndozopedzisa mutongo wangu probably ndinobuda sometime muna
February next year. Mwari vakandiwanira nyasha veMASO vakati basa
rangu riripo kare kuOrganisation kwavo pandinongobuda muno
ndotoenderera mberi ndichishanda ikoko vakati vanoda ndive ne valid
passport uye class 4 drivers licence."

Ndakamuudza kuti passport yake yakanga yakabatwa kumapurisa


takaipiwa uye ma documents ake ose takamatora kufriend yake mai
Chigombe taiva nazvo akatenda chose. Ndipo paunoona kuti kune dzimwe
shamwari dzinongokuda kana zvinhu zvakanaka. Bhururu vamai Nyasha
ava kana kuzomboonawo mumwe wavo kana zuva rimwe chete zvaro. Kuita
kwaMwari kunoshamisa. Masuwo anongozaruka chero muchizarira kana
watendeuka nemoyo wese. Anga apinda mu NGO nenyasha kwa vasina
kumbotarisa criminal record yake. Akazoziva zvakare musi iwoyo kuti
imba yevabereki vake haichiko tisu takanga tava ma new owners.

"Munoti kunyangwe dai yanga ichiriko iri yavo ndaimbotsikako here. Lots of
bad and painful memories paya. Ndinosvika ndichitangawo upenyu hwangu
panyuwani from scratch."

Vakambochema navamwene vake vachikurukura nyaya yababa Nyasha


ndiye akatozoudza mama chokwadi chaicho kuti vabereki vake ndivo
vakakonzeresa kufa kwa Richard. Takazoita zvekutodzingwa chaiko
ndokuenda hedu. Nyasha akanga asingachadi kuparadzana namai vake. Ko
kutozofunga tava munzira kuti former mai Mhofu vaivapowo pajeri hatina
kana kumbovarangarira kunovaona.

340 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Mazuva akafamba kusvika sometime end of March patakazonzwa nyaya
dzababamukuru na Celine. Haaa ndakasvika vachitaura kuti vakatungidza
musi we Christmas pataitoyemura kuti vagona vakamurangarira
vakamukoka anga achasurukirwa. Akanga ada muZimba wake mwana
kusvika pakutiza pamba achitya kubviswa nhumbu yake. Pakazoitwa
hurongwa hwekuti ndinomumirira ku airport musi wakavhara vana
Nyasha. Ndakatanga ndanotora Nyasha kuchikoro ndokuzotsvaga lodge
yataizovata. Plane yakasvika na 6 tikanovata patakanga ta booker
ndokuzomuka tichienda kuGweru. Akatambirwa zvakanaka akava part of
the family. Benziwo rekuGhana akauya akatsveta mwana wedu pa gate
manheru iwayo tikatoona kuti munhu akanga auya achida zvekudzokerana
nababa mukuru vangu akawana patova nevaridzi zvikamusvota anenge aida
kukaurisa. Anenge akanga atova nemazuva ari kuGweru uyu achisora.
Ndakaudza vanhu ndikati uyu munhu anenge aida kushandisa mwana
kukonanisa Celine na babamukuru vangu obva apfekera ipapo. Manje
akabva atoirasa nekuti Reginald Jnr akabva atowedzera kudanana kwevaviri.
Kana aizoramba ari muarea achisora kuona kuti tsoro yake iri kubuda here
airutsa nyon'o chete nekuti mwana aidikwa iyeye. Anga akaita
mukomberanwa chaiwo mommy napepa gogo nasekuru vachiitawo
madanha kana vari baba vacho hatichatauri. Kwakaendeswa footage yeCCTV
yairatidza masiiro akaitwa mwana zvekuti chero aizoda kuenda Ku Court
kunoclaimer mwana wake aisambohwina. Kana aiti aronga tsoro hapana
zvaakanga aita. Haana kuzombobudikira zvakare ndainzwa babamukuru
vachiti no communication kubva paakatsveta mwana pagate chaaiita
kungovhura ma status aivo babamkuru ndivo vakanga vakesevha number
dzake asi not even one comment.

Jane akanga achishainawo kuchikoro kwake akanga otogadzirira kunyora


muna June. Akanyora 4 subjects dzake maths, English, accounts ne history.
Results akabuda muna October soon after launch ye company yababa na
Murehwa. Aiva ne 2As 2Bs. November akabva angonyora 5 chete
ndokumirira ma results. October Celine gave birth to another beauty in the
family, Rihanna.

Iniwo ndainyora maexams angu ekupedza second year yangu makore


aitofamba chokwadi. Takagara taudzwa kuti nzvimbo ye attachment inonetsa
kuwana asi taitofanira kuti tiite 1 year attachment iyoyo nekuti yaiva part of
the program. Ndakasvika ndikatotaura kumba nyaya yacho

341 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
yaitondishaisawo hope. Baba vekwangu vakabva vatozvitora lightly
ndikangoti kuda inyaya yekuti akanga asiri mazviri hake. Ndaisada
kuzopedzisira ndangoenda pazvimalocal hotels mugweru pasina exposure.
Ndaitodawo kuma big hotels and moyo wangu waitoda Ku Victoria falls
chaiko kana kutocrossa border kuenda kuMzansi. YekuSouth haana kana
kupindura pandakataura nezvazvo kana kupa comment. Lecturer vangu
vakabva vandidana kuOffice kwavo rimwe zuva ndichibuda mu last
exam.

" Mrs Mpofu I called you here. I received a call from Victoria falls hotel vati
ndivape munhu one we attachment anotanga January preferably a guy. But l
managed to convince them kuti vatore imi. Your prayer has been answered
you once told me kuti ndiyo first preference."

Dai vakanga vasiri munhurume ndingadai ndakavambundira zvechokwadi.


Indeed prayer answered handina kuvapa zororo Mwari ndichingovaudza
kuti ndivo vega vandaivimba navo. Pane form ravaiti ndaifanira
kuzotumirwa ndofiller rodzokera. Ndakambomira kuita blow the trumpet
kuti ndinyatsoona kuti form racho raenda zveshuwa ndava kugadzira
kuenda Ku Vic falls. Ndakavapa email address ya Dillan so that they would
emai ndofiller and send back. That way it was faster.

Maresults akauya ndakapasa zvekupasa zviya I was top of the class.


KuVictoria falls kwakabva kwangoti zii hakuna chakazombotaurwa form
harina kuuya. January 5 ndipo pandakatozoona kuti ndakagarisirwa guyo
sembwa hapana zvaivapo. Pamwe pane vakanga vatobuda havo mari kuti
vawane nzvimbo. Ndaifanira kutanga musi wa 8 Ku Falls ikoko sekuudzwa
kwandakanga ndaitwa. Ndikazororazve ndichiti zvangu zvabhadhara izvo
kwaani. Vamwe vangu vose vakanga vachitaura kuti vakatotanga attachment
kwakasiyana siyana musi wa 2 chaiwo. Vose zvavo hapana akanga ari
panoshamisira kunze kwemuzvima lodge nema restaurants. Ahh handina
kuzvifarira ini what will you learn about hotel, travel and tourism pa

342 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
restaurant inobika magwinya chete. Zvaingova zvemutemo kuti munhu
angonzi akaita attachment. Hazvisizvo zvandaida ini. Musi iwoyo
ndakamuka ndakachaja chaiko ndikati handisi kuzodya kana kunwa
kusvika manzwa munamato wangu. Kana murimi Mwari wangu
wandinoziva wekare asingashanduki, anonzwa ne kupindura minyengetero
simukai pachigaro chenyu chenyasha mubate basa. Ndakaswera ndiri
pamunyengetero ndisina chandadya kana kunwa. Manheru ndakapa vamwe
chikafu ndikabuda kunopfugama mubedroom mangu ndikanamata
nekugomera. Pandakapedza ndakanzwa kumwe kuzorora so mukati
mangu ndikaziva kuti all is well. Chero kwavaizondiendesa Mwari
chandaiziva ndechekuti vanenge vatoona kuti ndiko kwakandinakira. Dillan
handina kumuvanzira kuti ndiri pamunamato kuti zvisazoita sendine
chandaramwira chikafu. Ndakamuka ndichigadzira chikafu chakanaka
ndikadya kuguta ndichingorumbidza Mwari ne peace yandainzwa mandiri.
It was on a Friday saka ndaingova ini nemwana wangu Daphne Fadzi.
Anga atokura mwana wangu she had just turned two. Nyasha anga ava
kugara na Gogo vake uye bamkuru vakanga vava kugara ikoko nemudzimai
wavo akanga abatsirwawo mwana musikana Rihannah.Cliff aiva kuchikoro
kwake uye Jane anga amboenda kumusha kunoona vamwe akamirira hake
ma results ake a November. Mai Tino vakanga vaendawo kuHoliday nevana
vainzi vari kuvaka kumusha kwavo kwaNhema vaizodzoka paivhurwa
zvikoro. Saka ndakanga ndatoudza baba Tino kuti madam vauye ndisati
ndaenda kuitira kusiya ndavarongera. Jane aitozodzoka paibuda ma results.
Dillan achingobuda kuenda Ku office ndakatambira call kubva kuna lecturer
vangu vachiti ndisvike Ku office. Lucky maid akabva asvikawo akasara na
Fadzi ndikatsika mafuta ndakananga kuMSU. Ndakasvika ndichigamhiwa
nemubvunzo wekuti ndakaregereyi kutaura kuti handichada kuenda Ku falls
pane kungonyarara.

"Handina email yandakaona ini sir ndinganyepereyi. Nditoriwo worried


kuti vanga nyarara kusvika last minute ivo vakandivimbisa"

Ndakanyara veduwee vachiburitsa proof yekuti email yakatumirwa kuna


Dillan 3 weeks back akatoivhura hake. Ndakanzwa kubitirirwa nehasha
ndikapotsa ndaridza tsamwa ndikazozvidzora. Ndakazokumbira kuti vaite
resend pa email address ya lecturer ndikabva ndatofiller ndikatumira back.

343 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndaifanira kutotanga Monday asi vakandipa mukana wekutravella
nekusettler ndozotanga hangu Tuesday. Ndakatozotanga ndapinda
mutown kunoita tushopping twangu twandaida kuenda natwo nekuti
Saturday raiva zuva rekurongedza ne kuoneka hama neshamwari.
Ndakazonosvika kushop ndichiraira raira zvekuti kumba ndakatozosvika
kuma 5. Ndakawana Dillan akagara mubedroom medu aina Fadzi.
Ndakatoshamisika nekuti anosisvika kuma 7 manheru.

Ndakanga ndakamutsamwira nehutsinye hwaakanga andiitira.


Ndakangotambirwa nemubvunzo ndichangopinda.

"Uri kubvepi? Ndasvika pano apa na 12 masikati iwe wa kusvika ikozvino.


Mufon mako hamuna ma missed calls nema messages?"

Ndakatarisa zveshuwa aivamo phone yaiva pa silent. Ndakangoverenga


yakanga yapinda na 11.

"I'm coming home now got some great news. Ndakuwanira nzvimbo ye
attachment ku Midlands hotel. Be prepared ndikuuya timboita ka celebration"

Dai ndakanga ndisina kutsamwa ndakaita chikuwee chaicho. Handina


zvandakambotaura ndakangotora laptop yake ndikaisa password
ndokuenda kuma emails. Yaivamo zvechokwadi yakasvika ikavhurwa musi
wa 17 December.

Ndakatora ndikaigadzika pamakumbo pake ndikati

"Yakauya riini iyi nhai baba Fadzi?"

"And you expect me to answer that ini ndakubvunza mubvunzo ukanyarara.


Ndasvika pano uchinzi wabuda kuseni kuenda kuMSU wanga wanodii?"

344 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Vandifonera kuti vazonzwisisa kuti sei ndakaita egnore email iyi yakasvika
ukaivhura ukanyarara. Mune utsinye baba Fadzi shuwa mungarwadziwa
nekubudirira kwangu kuita sekuti ndeumwewo munhu. Manje you know
what, Sunday ndiri kuenda Ku falls handingakutevedzeri ini."

"Handirwadziwi nekubudirira kwako INI asi ndinotorwadziwa nemukadzi


mukuru anoswera akavharirwa muoffice the whole day kuti awane ma favors.
Saka wabuda how many rounds to get this deal?"

Ndakatadza kana kutaura ndakangoshama muromo mazwi akafamba


kubuda. Misodzi ndiyo yakangoyerera .

"Usandisemesa with those crocodile tears of yours chapa ye munhu. You


know what, hakuna Ku falls kwauri kuenda and hakuna chikoro any more.
Basa rekuvatiwa nezvidhara zvinorwara izvozvo. Ndakutoona kuti thos
distinctions were fake. Nxaaa you are a disgrace."

Akabuda akarovera door achibuda. Ndakanzwa kutaura padoor ndikashaya


kuti aiva ani. Tevere knock mai Tino vachiti dinner was ready. Sariini nekuti
tose taiziva nguva yedu ye kudya dinner munhu wese aingozviuyira Ku
dinning. She must have been eavesdropping......

Kuchaendeka here ku Falls museyamwa vapenga?

Odii Shumie? Will she go against her husband's will or orega hake chikoro
and be "the obedient wife"?

345 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 25
Shumirayi

Mai Tino ndakangovaudza kuti ndiri kuuya ndakanga ndisingadi kutaura


zvakawanda. Kaitova kekutanga kucrossa French door vachiuya
kubedroom kwangu kuzondiudza kuti vapedza kubika. Isu imba yedu was
just like a hotel yaiva nemalandline every room waingosimudza phone
wopressa room number yauri kuda munhu otopicka from there pasina
kumbokwidza mastairs ko kana iri emergency. Taisatombotyira zvekuti ano
abuswa nekuti akanga asingafoni kunze aingoshanda within the house.
Taiitirawo privacy nekuziva kuti kune vanhu vakaita saivava vanomira pama
door vakateerera nyaya dzevanhu nekuti avoidawo kungogogodza kuma
rooms evamwe zviri unnecessarily unless kana zvochitoda kuti muonane face
to face.

"Madam, mukagee muri kuchema wani?"

"Zvakatanga riini zvekundidana kuti madam? Ndinonzi mai Fadzi fullstop"

Madam yacho yaitova yekunyomba chaiyo ndakazviona hangu. Ndakatoona


kuti kurera imbwa nemukaka inofuma mangwana yokuruma. Munhu
wandakabatsira achimbeya kumayard achiita ma piece job ndiye akanga

346 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ondimonyera muromo nekundifinyamisira kumeso ko iko kusimidza chiuno
achibuda. Haiwa ndakatozoona kuti mama mai Dillan vaiva right pavaiti
pabasa uniform mujivha chaiwo wekuti nyangwe ukapinimidza chiuno
irimo mukati zvinopereramo hazvibudi kunze. Dai vaiva nezvavaiva nazvo
shure ikoko zvaiva nani.

Attitude iyoyo ndakatoshaya kuti yakabva nepi ini munhu wandaingotora


savakoma iye achinditowo mainini. Ndakatozvionawo ipapo kuti the way
yatino treater mayo our spouses ndiyo inoita determine the respect
yavanopiwa nevamwe vanhu. Ndosaka kazhinji muchiona kuti boss
vanoshungirudzwa nemurume kana nemukadzi vanoyedza chose kuona kuti
he/she pretends as if all is well back home. Nekutika the moment
yavanoziva kuti kumba kwake unombopota uchipiwa mambama kana
kumbovatiswa mukitchen they will never respect you kubasa. Zvino
ndikafunga ipapo makwidziro anga akaita mumwe wangu voice ndofunga
raitoita ma echoes marooms ose vachindibvunza kuti ndaswera
ndakavharirwa muoffice the whole day ndavatiwa ma rounds mangani kuti
ndiwane attachment Ku Victoria Falls. Ndainzwa kudyungwa dyungwa
pamoyo chaipo nema shoko a Dillan andakashaya kuti akanga angouya
nekuti ndoenda ku MSU here kana kuti akanga agara akarongedzwa
akamirira the right time to offload. Munoziva henyu dai lecturer ivavo
vakatomboita ma advances kumashure ndaiti pamwe zvino kana veduwee he
respected me and ukama hwedu hwaiperera pakudzidza nothing more. I was
a respected person pa college zvekuti ndikati pane zuva randakambodaniwa
kunze "Shumirayi" ndinganyepa. He addressed me as Mrs Mpofu and
zvakaita kuti vamwe vangu vose vaite follow suit. Ko Ku college tinonzwaka
kunyangwe nana gogo vachinzi Julie vana sekuru vachena mutowo wese
wevhudzi vachingodaniwa nemazita. Vakanga vakatosiyana nevamwe ma
lecturers vasingabvumi kukura.

Ndakagara pamubhedha ndikachema ndikaerekana Fadzi akundipukuta


misodzi. Ndakasimuka ndikanogeza kumeso kwangu ndokusimudza mwana
wangu ndikanomutorera chikafu chake. Ndakasvika shasha ichizvipondora
nechikafu ndikangoti zvinhu zvinochinja nekubwaira kweziso. Mai Tino
vakanga vachirimo vachingomira mira zvikatondinetsa. Time yavo
yekuchaisa yakanga yadarika kare uye vainobika kumba kwavo manheru.
Chavo kwaiva kubika chete kana ini ndakabatikana. Kudisher ndaizodisher
ndega. Kazhinji futi ndaizvibikira kana ndakurumidza kudzoka ndopa
mhuri yangu chikafu ndega. Asi apa ndakawana Dillan atova halfway kudya

347 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndikangotora plate ndika pakurira mwana wangu ndokugara pa table
ndava kumupa chikafu akabva atoguta ndokusunda plate achibuda. Ndaka
siyanawo naye ini ndikapa mwana wangu chikafu ndikaenda kukitchen
semazuva ose ndika cleana ndakabereka mwana wangu ndikapedza atovata.
Ndakanomuisa mucot make ndichibva ndoenda hangu kunogeza kuitira baba
kana voda kudya kwavo vawane kuri fresh. Uyo waitova mutemo maissues
ndakanga ndakadzidziswa kuti haafaniri ku affecta bedroom asi ndainzwa
kuzara chaiko neshungu. Ndakavata nyama chete hope dzikaramba
ndichipishana mupfungwa. Dillan kana kudzoka zvake. Ndakapfugama
ndikanamata kuna Mwari wangu wa ndaiziva kuti haandinyadzise
ndichikumbira guidance yavo ivo Mwari. Ndakavata ndokutozomutswa na
Dillan akapinda zvake past midnight asingagoni kana kumira nekudhakwa
ndokungopinda mumachira nehembe dzake nekutorova ngonono.
Manhuwiro aaiita doro ndakapererwa imi Dillan kunwa doro for the first
time kubva pandakamuziva.

Ndakamuka ndokubatidza light ngaati kurutsira pamachira ipapo. Kuita


kunge achafa veduwee ndakashaya pekubata. Hugoti hunenge hwakanga
hwamurova brain ngaati kuhumana ipapo.

"Hi hi hi hi madzoka futi moda kundiuraireyi? Mai vangu makadya hihihihi.


Mhaaaai kani mhaiweeeee. Mhai kudyiwa hereeeeeeee"

Ndakambozviona izvi zvichiitika kana munhu akaita doro rekubatira


pamusoro. Handina kumbovhunditswa nazvo ini pain yaiva pamoyo pangu
was too much to notice zvaiita drama king ava. Yes drama king nekuti
achibva ipapo aiita imwe futi performance nyanduri anogara akaronga
mashoko ake. Manhuwire akanga oita mumba macho kana kufema
kwakanga kogozha kuti ndichiti doro racho rakangopinda mudumbu
nekutowora here hameno nekuti haaii zvanga zvakaoma manga musisagariki.
Ndakaisa phone yangu pa video ndikatora drama rose raiitika zvangu.
Zvakazenge zvopisa tsitsi ava kungogomera kuda zvekurutsa pakanga
pasisina misodzi yanga yakuchinyatsobuda manje. Ndakazvuva munhu
ndikawisira pasi ko pane zvemurumezve. Ndipo pandakazoona kuti munhu
azviitira wiwi nendove mumagumbeze imomo. Haaa this was too much
maune chaiwo kuda kukaurisa chete. Ndakazonzwa moyo kurwadza ndikati
regai ndibatsire hama yangu. Pandinoti ndino vhura ma button e shirt

348 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndipo pandakanzwa muhwema imomo maibuda scent ye perfume
yechikadzi yandisingazivi. Nechepano pamusoro pezamu rekwa left pa shirt
yake paiva ne lipstick ye red neface powder. Ndakapotsa ndaridza there
chaiko. Ndakangonyamura mwana wangu ndikabuda ndikanopinda mu
spare maimbovata Nyasha ndikazvivharira ndikavatisa mwana wangu.
Ndakaita kugara pasi chaipo ndikachema kuwungudza chaiko. Nyambisirwa
munhu kupengereka nhema kwaiva kuvharidzira hwake huchapa.
Ndakazvibvunza kuti saka zvakatanga riini izvi nhai. Ndakagaya kuti
pamwe ndatova nechirwere zvangu ko taingoyekeraka. 2 am yanga
yatochaya ndikashaya wandingamutsa kuti ndiudzewo zvakanga zvaremera
moyo wangu. Kunamata chaiko mashoko ndakaashaya ini. Vaya
vanozviuraya kubva ipapo I don't judge them. Unenge warwadziwa
kusvika pekupedzisira pekurwadza woshaya anokuti "take heart, it shall be
well." Pamwe iye weku Midlands hotel iyeye ndiye akanga atovingwa ndiye
aiva nema lipstick nemapowder aiva pa shirt. Ndakafunga ma strippers epa
Midlands hotel paya vanomira husiku ipopaya vakangopfeka ma coat asina
kana the mukati vovhura kana paita mota inenge vasvika kushambadza zviri
kusi. Haaa ndakaona ndichingonyikwa yambobuda mutsvina ini /ahh.
Ndakamboda kuudza vana Mhofu ndikaona sekuti ndinenge ndamhanyisa
plus nguva dzacho dzakanga dzaenda.

Ndakanga ndafunga kungobuda nemwana wangu ndongotereka nenyika


zvangu. Kuna Marlvin kwairema kuti zvaizoita sekuti ndaona kuti better
nditizire kumba kwangu. Ndiri pakutambudzika kudaro ndakanzwa
message yakapinda muphone mangu ndikamboda kuignowa. Ndakatarisa
ndikaona vari mai Chichi. It was 02:57.

"Are you OK mai vangu? Ndashaya hope ndiri kungonzwa kushaya peace. "

"Ndabaiwa pamoyo Lee. Ndarwadziwa ini better kungotetereka hangu


nenyika nemwana wangu hameno kwatichanoguma"

349 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Yakapinda call ipapo ndikatsvaira asi kusvimha ndiwo akabva mashoko
angu.

"Mainini vangu makundityisa chii chiri kuitika. Please talk to me baba Chichi
is trying to call bamnn havasi kupicker phone. Chii mai vangu"

Yakakata ndakonewa kuburitsa kana one word zvaro. Yakapinda call yababa
Chichi kusvika yakata. Pakabva papinda message

"Mainini ndakufonera vana dad kana kuti baba Ree vauye ipapo."

"No pliz don't. You will make things worse I will be fine."

Ndakatumira video clip nemwana wamai vavo ari mumadhodhi nemarutsi


ake ne map ye Gondwanaland pamberi yakaitwa ne wiwi.

"Thats your brother for you haangadairi phone in that state."

Yakapinda call yababa Chichi. Ndakanga ndadzikama ndanzwa yekufonera


vana dad.

"Mainini please I'm confused mwana wamai vangu aita seyi akupengaka

350 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
uyo."

"Zvakaoma bamkuru haapengi uyo kudhakwa uko"

Ndakavatsanangurira zvose hapana chandakasiya nezvimwe zvakare chaiko


kuti vanyatsoona kuti moyo murefu handina kutanga zuro.

"Mainini dai kusiri kuti makatopedza neveku Vic falls ndatoti mangwana
torayi mapapers enyu ose nemwana mukwire first flight muuye kuno
muzoita zve chikoro uyo musiyeyi akadaro achatwasanuka. I know how to
deal with him. Ku attachment muri kuenda achida asingadi. Rongedzai
musasiya mwana."

Ndakazovata kupi ndakadzokera ku bedroom ndikawana munhu achiridza


ngonono zvake mutsvina imomo. Moyo wakamboda kurwadza ndikafunga
mashoko ake ndikatocharika munhu. Chandakatanga kutora I laptop yangu,
macertficates ose kubva grade seven ko ndanga ndichatemba munhu here
neutsinye hwaakanga aratidza ummm ndaiwana zvinhu zvapiswa. Honestly
speaking ndakatarisa kwese kwandakanga ndabva ndichiita
zvekutamburira kudzidza kwacho asi ndaiva neshungu dzekuvawo nenhaka
yangu isina angaitora chero ndikafa. Zvimwe zvose zvinogona kuparadzwa
asi dzidzo inhaka ye upenyu hwese. Ndikafunga ndichitengesa matiles
padongo pababa Shumie kuti ndiwane kudzidza, ndikabhadhara fees yangu
ye 6 terms izvozvo zvega zvaingoratidza determination neshungu dzandaiva
nadzo. Mbuya vangu vakafa vaine shungu vachiita kunge vachatorwa
nengwena muna rwizi Chipakata vachidiridza magadheni kuti ndidzidze
kusvika panoperera shungu dzangu. Vaigarondiudza kuti havana chimwe
chinhu chavanacho chavanogona kundisiira kunze kwenhaka yedzidzo.
Ndakauganidza ose ndikaaisa pachipfuva pangu ndikadudza kuti "I'm going
to make you proud mbuya Shumie". Ndakatora passport yangu neyemwana
wangu zvese ne birth certificate remwana wangu nemamwe madocuments

351 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ose zvawo akakosha ndikanoisa my discovery yangu husiku ihoho ndakati
zvigare zviri safe. Ndakadzoka ndikarongedza nhumbi dzemwana wangu ne
dzangu uye zvose zvandakafungidzira kuti ndaizoda kumberi ndokugara
ndatoisa mumota. Ugoona ndaida kuitengesa mota iyoyi ndikazongoramba
ndongoverengera. Ipapa yakanga isingafambi hameno chisound chayaiita
saka Dillan akanga ati ndisatomboibata kusvika yagadzirwa it was not safe.
Imwe hilux ndiyo yaishandiswa natsano Cliff kuchikoro. Ndakaita make sure
kuti zvinhu zvangu zvose zvapinda mumota iyi yaitakurazve. Car seat
remwana ndakavata ndaisa mumota. Ndakagara ndakazendama pa
headboard ndakamirira kuti kuchene. Ndakazongobiwa nehope ndakadaro
ndikatozomutswa ne phone yababa Chichi kuma past 4.

" Hello mainini. Mai Chichi vari kusimuka ne flight ya 9 vachafanokumirirayi


kuFalls vachizotora mwana. Tichagara naye kuno kusvika mapedza
attachment yenyu kana kutoti mapedza degree."

Ndakavatenda bamkuru nekuti ndaitova worried kuti ndaizomudii mwana.


Ndakageza nekupfeka uye kunobika kuti ndifambe nemwana takaguta.
Ndichisvika mukitchen ndakaona mai Tino vachinika masheets
nemagumbeze zvaiva my bedroom uye nhumbi dzaakanga adzurudzuta.
Ndakasiyana nazvo handiti aiita basa rake. Ini nekusemesa kwangu
pane chakanga chichagashirwa here na Dillan. Ndakati ngavachitodzidza
mutemo mutsva kuti nhumbi dza boss dzinowachiwa. Dillan kana kupeta t
shirt yake chaiko akanga asinga goni. Kutora yakaayinwa yacho kwaibatwa
yepasi pasi yodhonzewa dzimwe dzozongondonyerwa. Saka kugara nda
avoida izvozvo ndaitoziva kuti murume wangu ndomuburitsira nhumbi
dzokupfeka kubva Ku brief. Mubhedha ndaitoziva kuti pandinenge ndisipo
anongozvuva machira ose zvakabatana nema sheets ovhura paanenge avhura
nguva yekuvata. Hameno kuti akanga achazodzidza here kana kuti maid
aizoita. Ndakagadzira breakfast neyake ndikakwidza ndichida
kunomudana. Ndaida kutomuudza mune zvakanaka kuti ndiri kusimuka in
an hours time. Ndakawana mubhedha wakawaridzwa nicely mumba maka
cleaniwa. Ndakangoti ndichipinda akabva asimuka pamubhedha pakanga

352 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
akagara ndokutora laptop yake akafamba achiuya kudoor.

" Kubuda kwawakaita muno uchinovata kumwe kusina anoziva zvoreva


kuti kuno watova stranger. Next time you should learn to knock ko ukawana
ndakashama. Utevere nephone yangu yawakatora before I leave."

Ndakangoti zvakaoma ndichiidii phone yake nhai.Taiva hedu


nemutemo pamba pedu kuti hatiisirane ma password pamafon. Ma laptop
edu aiva hawo nema password asi tose taitoziva yeumwe. Ini ndakaisa
kuchikoro kwandakanga ndava nekuti takanga tava kuishandisa nevamwe
uye ya Dillan kubasa kunewo imwe information iri confidential yaaida
kuchengetedza. Ma mails anguwo ndakanga ndava kuti asvikire pa laptop
ya Dillan yangu yakanga yakuwandirwa nekuda kwechikoro plus ikoko
kumbobatwa nevamwe kuchikoro. Hapana chakanga chakavanzika pakati
pedu zvekuti manheru taitozoti tagara topindura ma email edu. Anenge
achida urgent attention aibva atondiudza ipapo.

Ndakazoenda kuroom kwandakanga ndavata kunogadzira mwana wangu


kuti ndifambe. Kunokurura mwana kudayi ndakaita kunge ndichafenda.
Kunzwa mweya wangu kuenda kure chaiko. Kamukaradhi kangu kakanga
kakaita red muzvidya umu. Kumubata kudai haisi mhere iyoyo.

Ainyatsoonekwa kuti aitsunyiwa mwana dzimwe dzakatodhinda nzwara


dzemunhu mukuru chaidzo.

"Nhai Mwari mwana wangu aita seyi veduwee?"

Ndakanzwa moyo wangu kurereka chaiko ndipo pandakanzwisisa zviya


zvinonzi mai vanonzwa guru kana paine chakaipa chaitika kumwana

353 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
wavo. Ndakasvikirana navo vachipindawo mukitchen vachibva panze
vakaita kamwe kakuvhunduka so.

"Vakoma ko mwana aita seyi kukuvara kuvara zvidya kudayi.


Ndakamusiya ari right ndichienda ku college."

Marambiro avakaita ndakapererwa chaiko hanzi pamwe hamuna


kucherechedza mwana.

Ndakanzwa dzimwe hasha soo ndikapotsa ndavadira mbama.


Ndakatozokasira kubvapo nekuti ndakaziva kuti ndikavabata ndaifira pavari.
Kuramba zvinhu zvaiva pachena kudaro ndivo vega vaiva pamba time
dzandakabuda saka mumwe akauya akagwabvura gwabvura mwana wangu
ndiyani? Ndakaenda kuroom kwandakanga ndavata ndikanogezesa mwana
wangu ndakangoita zvekumupukuta chaiko. Tuzvidya netumagaro zvakanga
zvisingatarisiki. Ndakazviudza kuti uyu ndaSatan chaiye akanga achida kuti
nditadze kubudirira rwendo rangu. Somehow ndakanzwa kuti ndikada kuita
zvekungoti pakaita chinongomira panzira yangu ndotodududza ndinondeya
pa 1 place kusvika ndatoita chichembere chisina chachinacho. Ndakati no
matter how big the obstacle ndichasenerera nepadivi ndopfuura ndoenderera
mberi. Chandaiziva ndechekuti Mwari havaizombondisiya ndichirasika uye
hapana muyedzo unouya wakadarika zera rangu and that I should take
obstacles as stepping stones to greater heights. Vanhu vandaigona
kungooneka chete ndivana tezvara nana vamwene vangu vamwe vose
ndakaona kuti it was too early ndinogona kuzozvisimudzira mhepo saka
ndaizovaudza hangu ndava settled. Zvino vakanga vaenda kuShurugwi
zuro wacho hanzi mama mbuya va Nyasha vakanga va insista kuti vanoda
munda wavo we kuShurugwi saka vakanga vanoda vose vari 4 kunoona
vogutsikana kuti inoita here. Vakazovata kuSungano motel hanzi
kumborohwa nemhepo. Kuda zvinhu chembere dzacho nezvana
zvakasiiwa na maid kuti vana baba nana mai vambononzwa hope
dzemuhotera. Veduwee kungodiwawo so kwakangonaka Mhofu senior
waiona kuti munhu ane mufaro wemukati chaimo pakadzika dzika.
Ndakaseka tete Daphne vachinditumira msg ikarasikira pa group refamily
hanzi "maiguru vatana vachamitisana ava tikanyara". Vakazoita delete

354 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vaaisa kuinbox. Hanzi hazvichada kuti mukwasha arambe ongoti
"makorokoto mhai". Kkkk kungoti maonero anosiyana ini pfungwa dzangu
dzinototi kana Mwari vachitendera havo uye simba richiripo kuzvara
hakuna kuipa as long ma resources ekuchengeta vana ivavo uye rudo
chairwo ruripo. Chakaipa kuzvara ndanga revana vekuti vagotambura
chete no adequate food, no education, no clothes chero love chaiyo pasina. Ini
ndakazviona kwedu kunjanja kwandakakurira vamwe baba vaingoita
vakadzi vachingozvarisa asi pavana hobho hobho ivavo vaingofamba magaro
achichohonyewa nehuku apa vose zvavo hapana akasvika form 1
vaingoguma grade 7 zvotovharana votopinda pa crew yekuparadza
makandiwa evanhu vachichera mbeva. Asika zvakaita vana Mhofu
kunyangwe vakaita zana rakazanirana vaingoita sekuti vane zai regondo.

Manje ndaifunga kuti musi wandaisimuka kuenda Ku falls ndaimbomuka


ndichinyatsoonawo pamba pangu nekuraira rairawo ivo vachisvika
ndizonovaoneka zvakanaka in person ndosimukawo ndoenda. Hurongwa
hwangu chaiho hwaiva hwekusiya mwana mama mbuya vaNyasha
vainzwanana na Fadzi zvekuti vaigarotaura kuti kana ndakuenda Ku
attachment ndovasiira vowana chekuvavaraidza. We were blessed zvenyu
mumhuri takapiwa vana mai vane rudo uye vanogona kubatanidza mhuri
uye ivo pachavo vaidanana vana mai vedu vaiita sema sisters akabuda
mudumbu rimwe chete. Zvosanga nekudanana kwaiita varume vavo
kozotiwo kudanana kwaiita vana. Asi manje ndakaona kuti kuvamirira
kusvika kwavo kwakanga kusisaiti ndaizongovafonera ndava ko. Va
ndainzwa kamoyo kachingoti nyun'u nyun'u kuda kuvaudza nditete Daphne
asi ndakauudza moyo wangu kuti dzikama zvako uzorore. Ndakapedza
kugadzirira kuma to 8 ndokungosimudza mwana wangu ndikabuda.
Ndakapinda mumota ndichingova ne hand bag yangu chete nemwana
zvekuti chero aindiona haaimbofunga kuti ndaienda kure kwakadaro

Ndaiita kunge munhu ari kungopinda mutown achidzoka. Ko mabag ne


zvose ndakanga ndaisa mumota husiku. Ndakangonzwa kuti cheuka
pandakanga ndaruramisa mota ndokuona curtain remukitchen rakapeurwa
mai Tino vakadongorera vachibva vakasira kuvhara. Havana kumbobvunza
kuti moendepi ini handinawo zvandakavaudza. Ndaiva ne ma accounts
maviri personal saka hazvina kundinetsa hangu Mari ndaiva nayo
yakawandisa. Ndakatoona zvakandibatsira pakuti pa nguva iyi pakanga
pasina ma withdrawal slips akasainwa kudhara andaigara nawo kudhara kuti
ndikada kushandisa mari yemu joint account yedu ndaizongoisa amount

355 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
plus apa signature ya Dillan yakanga ichidhura chaiko ndakaona kuti
ndingatoita muyedzo.

Mutown handina kumbomira ini ndakarova mota ndikazokwidza vamwe


baba vakanga vaita breakdown paShangani vaienda kuBulawayo. Ndaityira
kuti iyo mota yaiva isina

kuzobudirira kuenda kuservice iyi yaigona kumdifira pasango pasango


ndiri ndega nemwana. Hapana kana akambofona kunze kwa baba mamai
Chichi vaingoti gare gare vofona vachibvunza kuti ndava papi. Ndakaona
kuti navo hapanawo wa vakanga vati vaudza. Ndakapinda kuBulawayo na
11am baba vaya vakandiratidza pandaigona kuwana umwe wekupa lift
kuenda Ku Vic falls since ndakanga ndava hutsi manje apa kana kumboziva
kuti ndonanga nepi. Tichingosvika pa Chicken Inn pavaida kusara ndakabva
ndawana mukomana aiti ari kuda lift kuenda Ku falls. Ndakamboti mirey
ndichitenga chikafu nemvura semunhu akanga asingazivi kuti tichafamba
seyi uye pasara pakakura zvakadii. Ndiye akazondiratidza kuti ndofamba
seyi. Mukukurukura ndiko mandakazoziva kuti nayewo aiva pa Bulawayo
Poly aiitawo Hospitality, travel and tourism. He had a wonderful sense of
humour ndakamufarira. Ndiye akazogara hake kuback seat akabata mwana
akanga asisadi zvekugara ega. Zvinoita Mwari nayewo aiendawo kunoita
attachment ikoko plus yakanga isiri first time kuenda ko ndiko kwaaitogara
nababa namai vake vaishanda pa Victoria falls international airport vose
nadad vake. Kureva kuti navowo vakanga vari musame field.
Akandibvunza pandainanga chaipo ndikataura chokwadi kuti hapana kwa
ndaiziva asi ndaiva nezita remunhu wa ndaifanira kunoona Monday saka
ndaida kumbotanga ndawana accommodation pa hotel ndozomuka
ndichiona zve kuita. Akatanga aseka akazoti aizonondiratidza kwaiwanikwa
munhu wa ndaifanira kuona uye to help me find accommodation.

Takasvika my Victoria falls na 2 masikati akati ndiende naye kumba


kwevabereki vake ozondibatsira ambonosiya ma bag ake. Ndakamboita
kakusagadzikana asi semunhu Aida kubatsirwa I was left with no choice. Ko
kwaimbova kure here less than 10 minutes takanga tatosvika pazimba
rakanaka rakakura chose. Akavhura boot akaburitsa bag akapinda mumba

356 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
first akadzoka akadungamidzana nevandakatobva ndaziva kuti ndivo baba
namai vake. Akasvika akatora Fadzi vakanga vawirirana chose.

"Mom and dad ndakuvigirayi ka muroora kamukaradhi aka kanonzi Fadzi."

Mai vacho vakabva vatotora Fadzi vakati tipinde mumba. Zvakawanda


nezvemumba umu handichatauri ndingavidza zuva asi kungoti vakanga
vagere. Vaionekwa kuti they were happy and pa takasvika vaingova 2.

" mom nadad, ava ambuya vangu vanonzi Mrs Mpofu, and her only
daughter Fadzi kamukaradhi kangu aka. Ndivo vandipa lift kubva kuSkies.
Ava ndivo ma parents angu aya. Mr Kuimbira vamanga muchazonoona
Ku office ndivava. And I'm their one and only baby just like kamukadzi
kangu aka."

"Kkkk unopenga iwe manje toda kukuitira kampfanha wakura kudai


mawara ose agopera."

"Then you will cease to be my parents."

"Ndingafara seyi kuti one problem down."

357 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Hahaha manje hakuna kwandinoenda pano handibvi chero ndikaroora
kamukaradhi kangu ako"

Ko kuzotaura achivata pamakumbo ababa vake ivo kutozomupuruzira


musoro kani dhara rakadaro. Kumadziro kwaiva nema family portraits
akanga ariko asi paiva neremusikana munaku aionekwa kuti yakafanana
namai vepamba apa.

"Tinokugamuchira pano pamusha mwanangu ndini ndakataura necousin


yangu lecturer weku MSU kuti tinoda just one guy we attachment coz MSU
produces fine students in that area. Manje this year we only want two saka
umwe wacho mukwasha wenyu uyu akatevera trade yedu."

"Maita basa baba na mama. Handizivi kuti ndingakurendai nei .Ndanga


ndatopererwa ini Mwari vakuropafadzeyi."

"Uchitendeiko mwanangu kubatsirana muupenyu. Kurarama kwedu isu


vatema kubatsirana ndiko chaiko nekuti hatizivi kuti Brian uyu anomuka
aripi mangwana uye achibatsirwa nani."

Vana baba Chichi vakanga vapedzisira kufona kuma 8 vachiti vari pa


airport ndofunga vaiva vaperekedza mai Chichi. Ndakabata phone yangu
wanei yakatodzima zvayo hey ndakabva ndaona kuti ndofunga va tambura
nekunditsvaga ndisingabatiki. Ndakakumbira pekuchajisa phone ndikabva

358 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndatopiwa ne password yacho ye WiFi. Ichingoita 2%ndakabva ndatoibatidza
mati ma msg akapinda iwayo aiva kuna baba namai Chichi uye vamwe
vekumba. Pakanga paine mamwe akatumirwa ne line reku office
raishandiswa na Dillan pa laptop haana kana kutumira msg ne personal line
rake pamwe akanga asati awana phone yandakanga ndatukirwa kuti ndaviga.
Maiva zvakare nema missed calls hobho aibva Ku family uye landline ye ku
office. Ndakabva ndatoiisa pa silent ndikatanga nekutsvaga vana baba
Chichi vamwe ndaizovaona after nekuti ndakanga ndisina zivi kuti baba
Chichi vakanga vataura navo kuti kudini. Ndakaona vakadaira pa first ring
chaipo.

"Hello mainini are you OK? Asi mota yazonetsa here muripi?"

"Sorry bamukuru ndasvika just now vatosvika here Mai Chichi? Phone yanga
yapera moto handina kuwana mukana wekuchajisa."

Vakazondiudza kuti vaiva vazofunga kuuya vose Ku falls vakanga vasvika


ne flight ya 9 vakabooka 2 rooms pa EH hotel. Ndakakumbira kurairwa kuti
ndofamba seyi kusvika ikoko vakarambisisa chose kuti ndiende.

"Haaa mwanangu zorora zvako ndinoenda nehanzvadzi yako iyi


ndonovatora ndouya navo pano. Vangavata mu hotel isu tiine imba
yakakura kudai nema bedrooms asina anovatamo here nhai."

Ndakafona ndikavaudza kuti pane vaiuya kuzovatora vakavapa room


number. Yakabva yatoenda directive Ku accounts kuti vadzoserwe mari yavo
ipapo in full. Fadzi mawara akabva achemera kuenda ne newly found friend
Brian. Ndakasara namai vepamba vachigadzira chikafu. Just drinks and

359 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
snacks since lunch yakanga yadarika. Ndakafamba ndakabatwa ruoko
ndichiratidzwa imba yaitoita hayo kunge 5 star hotel. Iyoyo chero vaida kuita
lodge yaingoita futi yaiva ne 10 state of the art bedrooms.

"Taifunga kuti tichaita vana vakawanda since baba venyu ava


vakangozvarwa vari 1. Asi zvakaramba takangopiwa mukomana ne
musikana. Brian is 24 now then Betha angadai achikwanisa 22 muna March
imomu."

Uyu takanga takangoenzana kureva kuti aiva mukuru kwa ndiri ne 1 month.
Ini ndaizokwanisa 22 muna April aitevera.

It was sad vachitsanangura zvekufa kwemwana wavo.

"Akaroorwa ari mwana mudiki aine 18 years vakamitisana vari ku


university ku Capetown. Akaramba achienderera mberi ne chikoro
akazongoita break ava kubatsirwa tikatora mwana wacho kuti MAI wacho
apedzise chikoro. She left a beautiful daughter she is now 4 years
akambotorwa ne sister yangu anogara ku Beitbridge. Betha nemurume wake
vose vakaita software engineering. The husband was abusive takazozviziva
kuti airohwa kuita kafiramberi last year aita admit muhospital ku UBH
murume akatiza akaenda ku Dubai. Zvinoita rudo akangoti achipora
zvikanzi tataurirana nemurume wangu tikawirirana saka ndava kutevera
kuDubai. Aivakiridza murume wake kuvanhu zvekuti she would take the
blame chero muchinyatsoona kuti mukwasha ari wrong. Only kuzoona yava
phone call kubva kuDubai ikoko kuti she hung herself muhospital arohwazve
mushure mekunge abvunza ma msg e girlfriend aakaona pa fon yemurume
akafira yekunzi wanga uchitsvageyi mufon mangu. Izvi takatozozviona
mudiary rake akazvinyora even pa suicide letter yaiva mukati me diary and it
was after burial vanhu vatoparara. Isu mukwasha akatipa marecords eku
hospital atakatozoona kuti they were cooked aitaura kuti akaadmitwa
muhospital arasika njere akazozvisungirira. Tangosara naye mukwasha
wenyu uyu and ronda racho richiri nyoro chaiko handifungi kuti I will ever
forget. She was such a darling, soft, humble and caring."

360 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Misodzi takanga yotoerera pachiso pavo ndikavambundira and comforted
her.

Ndakaona kuti munhu Ari kunyanya kurwadziwa zvakanyanya since pasina


anogona kunyaradza umwe vose vari pa kurwadziwa. I knew hangu how
best I was going to help her asi zvaida ndagara pasi ndava settled.
Ndakaratidzwa room yandaizovata ndikatoudzwa kuti hakuna
kwandinonoroja ndaizogara navo pamba pavo semwana. Ndakapinda mu
bathroom to freshen up ndimo mandakazonyatsochema ndafunga
mashoko amai Kuimbira. Ndakanzwa kusimba kuti with or without Dillan
ndaifanira kugadzira upenyu hwangu. Ndichitombova hangu ne backup
yababa mukuru obvious nevamwe vemhuri ndaifanira kutoita take
advantage. Ndakabuda ndikawana vatotanga kugadzira zvekubika
manheru. Pafon pangu panga patova nema pics a Lee naFadzi avaitorana ma
selfie vari pa hotel.

" ✉ Tava kutouya vanhu vasvika vakazivana ipapa pakutomboitwa zve


business."

Takazokurukura hedu namai Brian vachindiudza zve family yavo uye kubasa.
The husband ndiye aiva MD pa Vic falls hotel uye madam vaishandira ku
air Zimbabwe as a fight attendant waingoona nekugeza uye kugona
kumaintainer body yavo. Vaitoita kunge kababe ne body iri pakati nepakati
yakaumbwa zvakanaka. Pandakazotaura zva baba Chichi ndakashamisika
kuti vanovaziva zvakanyanya mu trade yema hotels iyi vaisangana kuma
workshops and conferences.

"My husband calls the shots here saka I'm going to make sure kuti wawana all
the exposure that you need. You will travel a lot ndoda kuti panonopera

361 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
attachment unenge wava kuziva what exactly is hospitality, travel and
tourism so that paunopinda pa field you will be a real expert."

Hey ndakabva ndatoona ndava a guru in that field. Ndanga


ndatononokerwa chokwadi. Vakasvika vana mai Chichi tikambundirana
ndainzwa kuda kuchema asi ndakazvidzora baba Chichi pavakauya
vakazevezera kuti "Handisi kuda vanhu vanochema ipapo." Takavata ipapo
ini ndakanovata na mai Chichi tichikurukura sevanhu vaidzokera ne
first flight kuseni. Ndakamuudza zvose kubva pandatanga chikoro
akabatikana.

Ndakamuratidza zvidya nemagaro emwana wangu naiyewo akapererwa.


Vakati first thing vachipinda my South Africa aibva atonorapisa mwana.

"Tanga tava worried veduwee kuti muripi phone isisaiti tikati pamwe pane
zvaitika semunhu a driver aine stress plus mota isiri perfect. Saka baba
Chichi vazama kutaura na bamnn kuinbox kwavo vasingavhuri ma msg kana
kudaira ma calls. Ndipo pavazoita forward msg yamakatumira yekuti "
ndarwadziwa ndafunga kungotetereka nenyika nemwana wangu" pa group
vanhu vavhunduka imi. Ivo bamnini Havana kupindura not even 1 word
uye vanga vachivavinga ku inbox ndivo vanga vachidzokawo vachiti hakuna
ari kudaira. Ndipo patazobvumirana pa group kuti tava kusvitsa nyaya
kunana baba vachibva vafonerwa na baba Chichi. Bamkuru baba Rehanna
ndivo vazoti vava kunovatarisa ku office kwavo kuma 12. Kuma past 1-2
manje manje ipapa ndipo patazoona ma msg aita blue asi vabva vaita exit
mugroup. Vana dad vaiswa mugroup macho vese nana mama bamnin
vakadzoserwa asi havana kana mubvunzo one wavapindura vangouta exit
futi. Dad veku Lundi vabva vati ndiitei admin vakava adder back varivo
vakati " kana wabuda ikozvino ibva waziva kuti wabuda zvachose even in
our lives. Tiri kuda kuti tinzwe nyaya yako tikubatsire iwe wakutokudza
musoro you are not picking calls ma msg iri kuverenga wosiya zvakadaro
woita futi rude kungoita exit mugroup. Ndiri kuda kunzwa kuti muroora
nemwana vawanikwa or else you will bury me"

362 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Vabva vaita exit dad baba Chichi vakavafonera vanga vachichema chaiko
dad. Vanhu vari kuvava mugroup ivo havasi kana kudaira. Hatisati tavaudza
kuti takuonai vamwe asi vana dad tavaudza. Vati vari kutevera mangwana
kuzoona kuti muri safe here. Tete Dee mutotaura navo hanzi ndokwira ne
Wednesday kuuya kuZim kkkk hanzi I'm what I am because of MAI Fadzi
saka everything is meaningless without her."

Ndakavati ndainzwa kutya kubata phone chaiko asi ndaizova fonera kuseni
tete vangu ndagadzikana. Ndakabva ndatoidzima phone yacho tikavata
ndichionekana nemwana wangu. Lee akati haachaendi kuchikoro kwaaifanira
kuenda Ku Capetown kusvika ndapedza chikoro.

"Neniwo I'm what I am nekuda kwenyu mai vangu. Ndakapedza wani


diploma in counselling degree ndozoitawo mapedza ndimborera vana."

Ndakamboda kumunzwira tsitsi kuti aiva na Doug kozoti Chichi she was
almost 4 kozoti Fadzi.

"I have 3 maids saka ndinorwadziwa nei? 1 anomirira kubika chete mumwe
anomirira cleaning chete nekuti imba yacho yakakura kuzoti recently
ndakatsvaga anongoona vana chete chete. We are covered musandityira."

Takazomuka hedu tichigadzira ndokumbotorana mapics ipapo Brian


akasimudza Chichi hanzi "usanotorwe nevamwe mukadzi wangu
ndokumiririra." Kkkkk aiva ne character ya tsano Cliff, ever cheerful.

363 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Takazoenda hedu kunovakwidza Ku airport vakabhururuka vakananga
kuJorburg. Misodzi yakabuda ndichipesana nemwana wangu asi
ndakazvisimbisa kuti it was for the best. Mwari vanopindura minyengetero. I
found a nice family that took me in as their own daughter pasina kana rent
yandaizobhadhara. Vakaenda kubasa vakandisiya ndiripo pamba
ndakazorora preparing myself for kickoff the following day. Brian haana
kuswera pamba iye akabva atotanga kuenda kubasa akanga asina
chekumirira.. Ndipo pandakazobatidza phone ndichida kunzwa kuti veJoni
vafamba seyi. Ndakatanga ne kuona ma status aana mai Chichi vasvika ku
Joni uri mufaro bedzibedzi natete vangu na baba mukuru Khumalo vaiva
vazovatambira ku airport. Paivawo nemaphotos ataiva tatora kuseni with the
Kuimbiras tiri pamba pavo. Imwe Brian anga akakisa Fadzi pamuromo
chaipo. Zvakaita sekuti takazivana kare ne vanhu ava and they were just
good mhani I felt welcome and at home. Chero vana baba Chichi
vakagutsikana kuti I'm in good hands ndizvo zvavakanga vatosimukira
navowo kuzobatsira kuona kuti ndawana pekugara pakanaka vakasvika
Mwari wangu atosimuka pachigaro chake cheushe akabata basa. Pandakanga
ndoda kuenda kuchat ya Dillan yaindirovesa nehana iyi ndakabva
ndanzwa kuseka panze masekero andakaziva. Ko vairevesa vana Mhofu kuti
vari kutevera?

"Come in Mr Doug. It's small world indeed."

Ndakazivigadzirisa ndikabuda kunosanagana nana tezvara nana vamwe


vangu. Pakafariwa baba vangu vakakanganwa kuti ndiri muroora
ndakapotsa ndasimudzwa. Ko vaizivana zvakanyanya na baba Brian ava.
Vakazodzokera havo kubasa ndikasara nana museyamwa nemadzimai
avo ndichitaura zvose zvakaitika.

Ndakavaratidza kunyangwe pic rekukuvara kwakanga kwakaita mwana


vakapererwawo navo. Sevanhu vakanga vagara vaoneka Havana kuzogarisa
vakaenda navo vagutsikana kuti ndiri safe. Ndaizoda rumwe rudo
rwakadii nhai. Mhuri yose yakasimuka neuwandu hwayo to support me.
Ndipo pandakazovhura ma msg a Dillan. Ndakatanga hangu neakatumirwa

364 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
neline rekubasa maiva ne 3 chete akanga atumirwa imwe na 8 imwe na 8:17
imwe 8:19. Airatidza kuti akanga aitwa delete for all asi yangu app yakanga
isingazvizivi izvozvo.......... To be continued

365 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 26
Shumirayi

Ndakatanga nema msg akanga atumirwa ne line rekubasa.

8:00 kana wapedza zvawanga uchitsvaga mufon mangu bring it pliz

8:17 asi une moyo wakavangarara. Kusiya mwana wako achichema


sezvandakawana achiita mwana apera voice iwe wakavharirana
nezvikomba shuwa? I never expected it from you and I'm disappointed in
you.

8:19 Wadii kutanga wazosiya mwana wangu ku office woenda hako


kuzvikomba zvako handidi kukanga nisirwa mwana wangu.

Haaa unopera simba chokwadi. Ndaifunga kuti munhu akazosara akaita


come back to his senses ini izvo akanga akangosimba pakuti ndiri kuhura.
Ndakaita highlight msg ya 8:17 ndikaita attach picture yandakatora zvidya
netumagaro twe mwana wangu ndikati

366 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Ndizvo zvaichemwa nemwana izvo kwete kuti aichema kuti ndakanga
ndamusiya. Fadzi akatanga kusara pamba aine 3 months now she is two
years handina kumboita problem yekunzi mwana achema nekuti
ndamusiya. Ozochema zuro nekuti ndabuda kunogadzirisa future yangu
yaunoda kuona ndichingogwesha pasi kusvika muguvaka. I love my
daughter so much ndosaka ndatakura mwana wangu, and only a witch can
do zvakadai kuwana asiri wake. Handina mweya wetsvina sewa maid kana
kuti ndiani wako hameno wandaona achiwacha nhumbi dzako nekuti
ndaizobva ari mumaoko emapurisa achitaura kuti chii chaakaita mwana
wangu. Ndamusiya aripo nekuti ndaona ndisisiri chinhu pamba pako and
handingadzinge munhu wawakatsvaga wega. Usazvinetsa hako nesu titori
bhoo isu ndati ndinohurira kure kwausingaoni kana kuti kusina ma spy
anozouya achireva. Usanditsvaga hako Dillan ndichambogadzirisa hwangu
upenyu. You are free kuchiunza hako ane lipstick ne perfume yandaona pa
shirt pako musachaita chihwande I don't care anymore. I wish you all the
best."

Ndakapedza kunyora misodzi yava kudonhera pa screen ye phone.


Ndainzwa kuzarirwa chaiko neshungu. Kurevaka kuti mai Tino ava
besides kumhanya nechikorobho vakanga vapiwa rimwe basa zvakare
rekundifudza vachiona mafambiro angu. Zvakatanga riini uye inhema ngani
dzavakataura kuna Dillan? Izvo Handina hangu kunyanya kuita pressure
nazvo nekuti gogo vangu vaigara vachinditi " hakuna mushonga unobata
pasina ronda." Handina hangu kana zuva rimwe zvaro randakamboita
zvakatsaudzira zvingakanganisa marriage yangu kana kushoresa mumhuri
mandakaroorwa saka zvekupomerwa izvo ndakangozvitora semafuta
ekuzora. Yelipstic iyo ndiyo yakandibaya pamoyo. Ndiyo pay back
yaakanga afunga here Dillan kana kuti akanga agara achizviita hake
muchivande?

Munoziva ndikafunga ipapo kuti pandinongowana mukana chete ndotoenda


kunotestiwa. HIV or no HIV ndakatoona kuti better ndimbopa Mhofu space. I
also needed my space ndichiita zve upenyu hwangu. Paizonopera gore umwe

367 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
nemumwe wedu anenge anyatsova decided kuti anodeyi muupenyu.
Ndakazviudza kuti mari yaiva mu joint account hamenowo kuti
aizoishandisa seyi iniwo ndakanga ndisisina basa nayo ndakanga ndava
kuda kutanga life yangu nemwana wangu. Pandaizodzokera muna January
ndipo pandaizonoita zve divorce uye kunoita mu res ku MSU kana
kunotsvaga room ku Senga kunogara ma students mazhinji uko ndopedzisa
gore rakanga rasara. Apa ndakanga ndisingazodzokeri shure chero Mhofu
vaisatombondigona havo i had made up my mind. After graduation
ndaibva ndabuda hangu ndoenda Ku SA kana kumwe kure nemwana wangu
tonoita upenyu hwedu tiriko. Vanotya kuhurirwa votsvaga havo
vakatendeka vasingahuri vanoteerera vanoda kuita doormat every now and
then. Iye Dillan akanga akadzidza kusvika aita masters apa anga
atosubmitta ma application forms ekuti aite PhD yake ne UniSA. Ndini
ndakamukurudzira kuti aite achiwedzera dzidzo mukana uchiripo. I
supported him through and through asi ini ndini ndonzi nditadzewo
kuzadzisa zvishuwo zve moyo ndingoita zvaanoda iye. Pangu pekutangira
ndaiva napo chose and tichitarisa mari chaiyo yandaiva nayo kusanganisira
ma assets yaitogo kuita take take neyatakashanda tese. I was safe hangu in
that area.

Ndakaona msg yangu yaita blue ndikaona Sweethat typing ndikabva nda
blocker nekuto blaclister number yacho. Ndaisada hangu kuzovata
ndadumbirwa nemashoko . ndakazoverenga akanga atumirwa ne number
yake personal line kubva na 1:47 akaita kuuya nebhandi ndakaverenga ose
one by one ndichinyatsotsetsa handina yandakajambira. Akanga aita
kudirwa kubva zuro wacho iyeye 1:47pm akavatira handifungi kuti
akambodziti shwaa hope, akazorega kuma 4 am kuda akanga anetawo.

1:47: I'm sorry mai Fadzi muripi nemwana ndiuye pamuri ipapo

368 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndiwo matangiro akaita ma msg aakazenge otumira ne number yake.
Nxaaa ndanga ndaneta ini kana akanga ajaira Shumie wake waaiita
dumping bin remashoko ake ndozongoti yes sir ndotovhurira munhu
makumbo angu akanga airasa. Ndakatoona kuti ndiri kutoita 1 step forward 2
steps back saka hakuna kwandaisvika. Ndakaona kuti ndikada kujairira kuti
munhu akangoti sorry ndototi hebo ndinofenda chaiko musi waanozorega
kuti sorry. Apa munhu unenge usina chako chinobatika chaunacho.

-mai Fadzi please ndidairewo ndaudziswa na makoma baba Ree and the
whole family is mad at me. Ndakakanganisa Shumie asi tinosingodai wani
togadzirisana murudo. Please mukadzi wangu handizvipamhi futi
ndinopika namai vangu vakafa ndapfidza.

Ndakamaverenga ose kusvika pane ya 2 am yanga yakanzi

- ndatadza kuvata mukadzi wangu uri payi nemwana. At least tell me kuti
you are safe.

Iyi ndakaipindura ndiri offline kudaro ndikati

"Wabuda ma rounds mangani kuti uwane attachment iyoyo? Unosemesa


mukadzi mukuru kuswera wakavharirwa nezvidhara zvinorwara. You are a
disgrace........Hausiwe wakataura mashoko ayo here nhai Mr Perfect?
Wakanga usati wadhakwa apo saka I know you remember that package very
well. Pane angada kugara ne chinhu chinosemesa here? I'm a disgrace saka
wakunditsvagireyi. I'm only 22 handidi hangu kufa ne stress."

369 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakangoita unblock ndikatumira video yandakamutora aine madhodhi
achiita street theatre kutokwikwidza nana Kapfupi. Ndakatumira pic ye
shirt ine lipstick ne face powder ndikati " and how do you explain this? I
don't use red lipstick or red cutex nekuti murume wangu akati
ndeyemahure, saka obvious its not me. I don't use cheap perfume yaiva pa
shirt pako and handiiti makeup inowumbuka INI saka its not me. Iyi I
evidence yandakaona ko zvandisina kuona zvawakatsikisa kubva na 7pm
pawakasunda ndiro wasemeswa neni kusvika past midnight
pawakazodzoka. Asemesa manje apa ndiyani?"

Payakangoita two ticks handina kumirira kuti averenge ndakanga nda


blocker pakare kukaurisa hangu ndikasiya zvakadaro. Ndakaenda pa group
ndikati verenga ma msg ose haaa pakavaviwa. Bamkuru Reg nemukwasha
ndivo vasina kumbonyanya kutaura ndizvo zvavaiva. Bamkuru vakangoti
"ndava kuenda kunomuona izvozvo."

Kwaiva kuma past 12 ndofunga ndipo paakazonotsvaga phone yake akatanga


kutumira zvima message zvake zvenhema. Ndaiva neshungu dzekuziva
kuti akaiwanepi phone yaakambenge achiti ndaviga ndikamgosiyanawo
nazvo. Call yatete Dee yakabva yapinda ndikataura navo kuti vasauya havo
uye kuti vasaidza bhudhi vavo kuti ndaiva Ku falls.

"Handimbovaudzi ini maiguru ndakavatukisa mongonzwa imi. Hapana


zvavakambopindura vaingochema ndikati hamusati matanga vanhu vaviri
avo muchavainera Ku hope sabhinya. Hanzi tuka hako paunodira mwana
wamai vangu I deserve it kkkk. Ndokuzonzi sis vangu ndoziva kuti
unoziva kuna maiguru vako please ndiudzewo ndikati handizivi ini tsvagai
mega mwana wevanhu."

370 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Thanx tete vangu ndichakutengerayi sweet ine chitanda."

Ndakazotaurawo nemukwasha achingotaurawo zvekuti vanga vava worried


kuti tadyiwa neyi. Ndakafara hangu kuti mhuri yose yakamira neni pa
nguva yandakanga ndakatarisana nedecision yakaoma kuti ndoenda against
zvido zve murume. Mhuri yaigona kutora divi rehama yavo voti ini
ndadheerera murume. Saka ndakatoona kuti better kutora mukana iwoyo
kususukidza kusvika pandaida kusvika chaipo. ZvekuGweru
ndakatombozviudza kuti ndombotsveta ndingazvitsvagira hangu miyedzo.
Graduation ya mai vaNyasha yakanga ya postoponiwa from early
December to mid-March ndiyo yakanga yava kutondipawo stress.
Yakanga iriko a day after kusunungurwa kwake saka vakadembesesa
chose kuti I have to be there ndifarewo pamwe chete naye. Ndaizongoenda
chiverevere soon after graduation ndodzoka.

Ndakazotangawo kuenda kubasa musi we chipiri wacho. Zvakambotanga


zvakagozha asi hazvina kumbonditorera nguva to adjust. Mwari vakanga
vakakura nzira yangu nechekare waingova mutserendende. Gore iroro re
attachment ndiro randaizoenda ku Mozambique for 2 months kunodzidza
Swahili nePortuguese ndiwo andakanga ndasarudza. Mota yangu
ndakazowana mukana wekuiendesa ku service wanga wava muchina
chaiwo. Kwairwadza hako kuti taishanda even weekends panga pasina
zororo. Takanga taudzwa kuti taizowana mazuva maviri mushure me 3 week
ekumbozorora. Mwana wangu aiva bhoo zvekuti ndaitumirwa ma pics
almost every day. Basa racho rairwadza asi mashoko eshingiso aibva
kumhuri aindipa simba zuva rimwe nerimwe. Weekend yekutanga yakasvika
ikadarika yechipiri yacho ndichitova pabasa ndakafonerwa na mai Chichi
vachiti Dillan akanga ari kuSouth Africa akanga achangosvikawo yaiva
Saturday kuma 12 masikati.

371 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Ummm bamunini va tambura mai Fadzi vachema zvinopisa tsitsi.
Takavaudza kuti tatora mwana chete asi imi hatinemi vakatadza
kuzvibvuma vakafunga kuti tiri kuvanyepera. Manje vasvika vakaona kuti
zveshuwa hamuko and baba Chichi varambisisa kuvaudza kuti muripi."

Aindida wei nhai kutsvaga kuda kungondi disturber chete. Ndakati


ngavambomurega akadaro hake.

Monday ndakatambira call me new number. Ndakangofira kungoti "hallo"


ndikanzwa

"Please Shumie usakata phone at least here me out. Kamwechete ikaka I won't
bother you again. Please. Handina kumbohura mai Fadzi please
ndinzwisisewo"

" Ko ati makahura ndiyani ini handiti ndini ndakahura here. Ndikabva
kuti ndisakusemesayi saka problem yava papi futi."

"Hauna kumbohura mukadzi wangu ndakangopotsawo kutaura.


Ndiudzewo kwauri mudzimai wangu titaure face to face. Handina
kumbonyenga ini and hazvingabvumiki hazvo kuti handizivi kuti lipstick
yakaenda seyi pa nhumbi dzangu. Handizivi mai Fadzi ndiri kutozamawo
kufunga kuti chii chakaitika ndiri kuzvishaya."

372 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Nxaaa ndakakata ini ndikadzima phone yangu. Kutora kundiita dununu
rake hake.

Ndakazoita phone on ndava kumba manheru ndikanoona msg yakanga


yakangonzi " Handina kumbohura Shumie. And handizombofa ndakahura.
Handichambokunetsa futi Shumie asi kana wazondiregererawo please
come back to me ndichakumirira hakuna kwandinoenda."

Zvechokwadiwo haana kuzombonetsa zvakare chaaingoita kuvhura ma


status andaiisa asingambo comment. Ndakanga nda unblocker number
yake zvangu. Maprofile pic kubvira nakubvira pa fon pake /paigara paineni
then pakazouya Fadzi aingotichinjanisa tiri vaviri. Ndizvo zvaaingoita
hapana chakachinja kwaingova kuvhara hake.

Mazuva egraduation yamai va Nyasha aingoswedera and ndakatovaudza


kuti nekuda owe pressure ndichamukira kuma3am chaiko ndosvikira ku
MSU ndobva ndadzokera kuFalls soon after graduation akati chaaingoda
chete is my presence. Akandiudza kuti sekuru nambuya vaNyasha na
Celine na bamkuru Regi vakavimbisa kuti vachazenge variko. Yakadhuva
kuti yaiva Wednesday vanhu vazhinji vari kumabasa asi ini zvaizondiitira
wo nyore kushaikwa kwevanhu. Vaizongonzwa kuti ndakanga ndiri mu
area. Brian offered to accompany me asi ndakamboda kuramba ini nekuti
ndaitya kuzononyara hangu kwaita drama. Asi baba namai vake insisted
vachiti nguva dzandaizosimuka zvaitoda kuti ndive nemumwe
wandinofamba naye uye aizondibatsirawo pakuti driver. Ndakasara ndisina
choice ndikazongobvuma kuenda naye.

9am taipinda muGweru. Ndakafonera mai Nyasha vakauya atakanga tiri ma


Brian. Akafara veduwee asi takangoonana kwekanguva kadiki diki achibva
atoenda kune vamwe vake. Akandiudza kuti vamwe vose vakanga
vakudikana kuuya asi mbuya vaNyasha ndivo vaizouya. Ndakabva
mavafonera mama vakanga vatosvika. Ndivo vakazondinyeurira kuti vamwe
vaiva busy ne surprise party yamai Nyasha yaizoitirwa kumba kwa mbuya
va Nyasha Ku south view. Ndakanga ndatongivaudza kuti ini kuparty

373 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
handidi kukwanisa.

Program yakafamba zvakanaka tikapindawo paroad kudzokera.Takasimuka


ma 12 masikati zvekuti 6 taipindawo mufalls. Tava kubuda mutown kuenda
kumba ndakanzwa Brian oti

"sis I think we are being followed. I noticed that car kubva patabuda Ku
Bulawayo and now yava kufambira padhuze chaipo."

Apa kwakanga kwava kutanga kusviba zvekuti hatina kukwanisa kuona


munhu akanga ari mukati nemota yerudzi rwe Prado ye black isina ma
number plates. Hana yangu yanga yava kubanhura chaiko. Brain akati
better tiite alert vanhu vaiva kumba kuti ndizvo zvaivapo. Pamba pavo
paichengetedzwa zvaasimba asi still we had to be careful kuti tisakuvadzwa.
Akadarika pamba tikambotenderera ne street yekuseri tidzoka tichiwana
gate ravhurwa. Iya mota yanga yava mujinga medu chaimo. Akawedzera
speed Brian achipinda mukati gate richitovharwa chop chop.
Ndakazovhunduka pa ndakanzwa two gunshots kunze kwegate......

374 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 27
Shumirayi

Mukukurukura kwandaiita namama mai Kuimbira ndakanga


ndichinatsodzamisa pfungwa dzangu pavaitaura nezvekufa kwakaita mwana
wavo. Kuurawa kwaakaitwa nemurume ndakaona kuti yaiva nyaya yekuti
aida urume wake uyo akanga asingagoni kuita appreciate rudo rwaaipiwa
nemwana wevamwe vanhu. Ndakambofungawo kwandakanga ndabva na
Dillan ndichishinga kuti munhu achaonawo rudo rwandaiva narwo kwaari
and appreciate asi ndakatoona kuti zvaitondidzosera shure. Ndiko kusaka
ndakaona kuti zvakanga zvakanaka to give each other space mumwe
nemumwe achionawo zvakamunakira. Pagore rose iroro kana aizotadzawo
kuona kukosha kwangu muupenyu hwake then zvoreva hazvo kuti we were
not meant to be together. Ndakagara ndaudza mama mai Kuimbira nyaya
yaiva pakati pangu na Dillan vakandibvunza mubvunzo wandisina
kumbokakamira kudaira.

"Iwe how do you feel inside? Izvozvo zvaunonzwa mukatikati mako ndicho
chokwadi uye kazhinji izvozvo zvinorwisana nepfungwa."

"Kutaura chikwadi mama ini murume wangu ndinomuda mama asi regayi
ndimbomupa mukana wekunyatsofunga zvakanaka who i am to him nekuti
sezvazviri ndinenge ndisingarevi chinhu kwaari. Ndikambosuduruka ndiko
kuti tione kukosha kweumwe kana asipo"

375 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Pandakanzwa ma gunshots ndakanzwa mudumbu kumona chaiko kuita
sekuti wandinodisisa apfurwa. Tevere voice raiva pamusoro chaipo

"Nooo please don't shoot!! Im harmless please."

Ndakariziva voice rakashevedzera ndikaerekana ndoita ukama nemhepo


ndakananga kwaibva voice ndokusvikobondera gate rakavharwa ndikatanga
kurirova nesimba rangu rose.

"Musamuuraya please ari kuda ini. Please!"

Gate rakavhurwa ndikabuda ndakadungamidzana na namai Brian


nemurume wavo na Brian. Anga agwadamiswa pasi Dillan akatunga pasi
nehuma maoko kabata gotsi achingoti " musandiuraya varume ndapota
ndiregeyi ndidzokere hangu ndiri mupenyu."

Mota ndakatadza kuiziva ini yakanga iri nyuwani isina ma number plates.
Kureva kuti yakatitevera from a distance kubva kuGweru chaiko asi
ndakatadza kuiziva. Kungoti apa yanga yofambira mujinga chaimo ndiko
kusaka Brian akazozviona. Yakanga yaponjeswa mavhiri ose emberi kuti
asatiza. Paakazonzi asimuke ndakamboda kuseka asi zvaipisa tsitsi hazvo.
Huma yakanga yakazara mavhu misodzi iri pamatama. Hakuna anoda kufa
veduwee.

376 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Ko Mpofu chii futi?"

Ndibaba va Brian vaimubvunza ndinoona vakanga vamufananidza na baba


Chichi vavaiziva. Ndakazovatsanangurira kuti haasiye wavaiziva.

"Uyu mutwin wababamukuru vamunoziva ndiye murume wangu baba


vaFadzi. Ava ndivo....."

"Ndafara kukuzivai makadii zvenyu. Ndanga ndichida kungoona hangu


paari kugara ndaona pari safe tochazoonana imwe nguva maita basa"

Akatadza kana kunditarisa kumeso asi kuti nditi akanga akagumbuka


handina kuzviona. Akangofamba akaenda pamota akabata door ndipo
paakazotarisa vhiri raiva padhuze naye akabva avhara door ndokuvhura
kuback seat akatora ka travelling bag kadiki diki kaivamo aiwanzokashandisa
kana achifamba rwendo rwaanonovatako. Dillana nyangwe zvidii akanga
asingadzokorori hembe anototenga kana zvanyanyonetsa. So muchibag
imomo ndaitoziva kuti munogona kuva ne hembe yekuchinja masocks ne
pant ipapo akanga asingakanganisi. Chaakanga asingaiti kuwacha dzaiuyiwa
nadzo ndozowacha kumba. Hanzi ndikawacha ungazozvibvuma here kuti
ndini ndawacha. Yaingova statement Dillan aiva spoilt chaiko akanyanya
kukura achiyemedzwa akanga akatosiyana na baba Chichi. Tete mai Jnr dai
ndisina kutozomira vangadai vakanotambura pavakaroorwa plus ivo
vakaratidzawo kuti munhu anoda kudzidza. Pandaiva mushandi kumba
kwavo Dillan aimboita hake asi manje kuda anga oziva hake kuti mudzimai
wangu anowacha and ndakanga ndisina problem nazvo I actually enjoyed

377 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
doing it for my man. Ndaitoseka Lee aiti anotomboshuvirawo kuwacha
nduwe dzemurume wake asi hanzi vakanga vasingaiti mistake vaiwacha
pavaigeza. Ndakazoseka achiti rimwe zuva akazoita yekumubvutira
akawacha. Manje Dillan aingokurura zvakabatana ndini ndaitozokatanura
chinin'ina pana mukoma kana ndava kuwacha. Not that I'm complaining
hangu kutofarira.

Saka paakatora bag hapana akambofumba kuti kuda kuenda tose taitofunga
kutora bag kuti tipinde mumba. Takazongoona munhu atova chinhambwe
akutofamba kuenda. Ndakada kuzama kumumhanyira mama vakandibata.

"No murege hakuna kure kwaanoenda husiku huno asina mota obvious
anotonobooker in one of our hotels ndendatoziva kuti ari,papi in the next
30minutes. Don't worry daughter."

Ndakanga ndava kutyira kuti anogona kupondewa nematsotsi kwakanga


kwakusviba. Takadzokera mumba ndikatadza kana kudya. Yes ndakanga
ndakamutsamwira Dillan asi handina kumboita moyo kana kumushuvira
zvakaipa. Ndakanopinda muroom mangu ndikafonera baba Chichi
ndichivaudza zvakanga zvaitika.

"Ava kunzwisa tsitsi mwana wamai vangu ne 3 months kuzoti panonopera


gore. Musiyeyi akadaro handiti ati anga achida kuona pamuri kugara here
saka apaona."

Vaitoseka bamukuru asi ini ndakanga ndakutonetseka. Mama vakazouya


vachindiudza kuti akanga abooka kuhotel apa ndiko kwandaishandira.
Ndakamboda kubuda husiku ihoho kunoona kuti ari safe here

378 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndikazongozvirega. Akabva afonawo achiti pane vanhu vaiuya kuzogadzira
mota saka ndiudze ve security vasavanetsa.

"Ko kuzongobva ndafunga kuti uri kupinda mumba ini. Ndanyara ini
mabviro awaita"

"Ndicho changa chiri chinangwa changu manje zvatadzika. Unoti ini


ndanyara zvishoma here mai Fadzi. I have never been humiliated like this
before. Ndanzwa kureruka chaiko ndakatungiswa pasi nekuda kwemukadzi
wangu. But I'm happy you are safe panongonakira mota ndodzokera."

Handina kutombopiwa mukana wekubvunza kuti mota nyuwani akaiwanepi


akabva atokata akadzima phone. Ndakafonera babamukuru zvakare
ndichivaudza vakatoseka hanzi imbomusiyai akadaro unless kana muchida
kusiira chikoro panzira.

Vekugadzira mota vakauya kuma 3 am vakapedzawo kuma past 6 ndava


kubuda kuenda kubasa. Taibuda takasiyana na Brian week iroro aiva ku
game park ndiko kwaaishandira akanga atobuda plus vana mama vaizobuda
kuma to 8. Ndakasiya mota yangu ndikavati vanondisiya pane muridzi
wemota. Ndakasvika achitobudawo kuuya kuparking atotakura kabag kake
ndichibva ndabuda ndikamupa mukana wekuti ataure nana makanika
vakaenda.

"Ko makutodzokera?"

"Yes ndakudzokera handiti zvandanga ndichida zvakaita here."

379 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Ahh hoo"

Ndizvo zvandakangogona kuita ndikafamba ndava kuenda ndikanzwa


ndodaniwa. Ndakadzoka ndikavhurirwa door remota ku back seat
ndikambotya kuti ndogona kutizwa neni asi ndakazongoshinga. Ndakanzwa
kunyevenuka paakapindawo kumashure ndokuvhara door. Ndakaisira
mama mai Brian msg ndichivaudza kwandaiva vakabva vapindura kuti
nditore day off. Ndiko kaiva kekutotanga kuonana kubva patakonana
kuGweru. Anga awonda Dillan nenguva diki diki. Takambogara
takanyararisana kwechinguva iye akazotanga slogan yake.

"Sorry mai Fadzi kana ndakakunyadzisa asi handaimbovata nenyadzi


dzandanga ndinadzo."

"But ko wakadii kungotaura kuti uri kuuya"

"Mai Fadzi usaita sekuti hausi kuziva zviri kuitika. Ndaikuratidzwa nani dai
ndisina kutevera kubva kuMSU. Ndangova ndega mai Fadzi mhuri yose
vakanditsamwira. Ndakatadza handisi kuramba asika ndoraswa here nekuti
ndakatadza? Hapana ari kumbobvuma kuti handina kuhura and handinawo
strong evidence to defend myself. Vana dad vose havasi kana kutaura neni.
Ndangova ndega kudai chero twin brother wangu anosindidzora nekundipa
advice akaramba kana kundiudza kuti uripi anongoti siya mwana wevanhu
azadzise zvishuwo zvake. Pane zvakaitika mai Fadzi zvekuti chero dai uriwe
waitobatikana. Mai Tino vakandifonera kuti wangobuda kuseni wafonerwa

380 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kuti uuye kuMSU ukavasiira mwana achichema and akasara akaita worse iwe
wakanga usingachadairi mafon. Ndipo pandakafonawo usingadairi ma msg
usingapinduri apa iri holiday ndikashaya kuti wakanga wanodii ku office."

"Sei usina kufunga zviri positive wainyatsoziva kuti ndiri kutsvaga nzvimbo
ye attachment and wakavhura email ukanyarara. Sei usina kufunga kuti
ndizvo zvandaiyedza kugadzirisa womhanyira kuti ndakanga
ndakavharirwa ndichivatiwa nemadhara? Kusvika pakutaura mashoko
anobaya kureva kuti wakanga watopa conclusion yako kare. Pane zvimwe
zvauri kundivanzira Dillan nekuti incident yemusi uya yoga
hayaimbokusimudza hasha kudaro. Ndoziva zviripo zvimwe zvawakanzwa
zvemanyepo asi handichineyi nazvo chiripo ndechekuti you dont trust me
chete and pasina kuvimbana hapana imba. Chirega hako kutambisa mari
uchipa whoever has been stalking me. I dont care anymore nekuti iwe wacho
haundivimbi. Kusvika here pakundibvunza kuti ndabuda marounds mangani
kuti ndiwane nzvimbo ye attachment. Ko iwe zvawakauya ne lipstick
ndakambokubvunza kuti warara nevangani here. Handina nekuti ndaitarisira
kuti tichataura about it manje iwe wakabva watovharidzira nekudhakwa
nekutomuka wava sober uchipenga nhema. Saka phone yako yawaiti ndaba
wakazoiwana kwandiri here? Sariini ndichiviga phone yako? Mwana
wakaona zvaimuchemedzaka? Ukadii?"

"Sorry Shummie. Kungoti ndakaudzwawo kuti machemero aiita mwana


zvinoitika kana one of the parents achishinhwa saka
ndakangozvibatanidzawo nezvakanga zvichiitika kuti since morning wainzi
hausi kupicker ma calls neanguwo usingadairi."

"Gegege ukati zuva rose ndichishinhwa ndichishandurudzwa nemadhara


ane zvirwere kuti ndiwane attachment kusvika. pakundiudza kusemesa
nekuti I am a disgrace? Chaunofanira kuziva ndechekuti chero ndikapinda
pakamanika seyi I will never stoep so low kusvika pakurasa hunhu. I value
my dignity and self repect, ndinoremekedza mhuri yekwaMpofu

381 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kusanganisira iwe wacho. Saka kusandivimba kwako kunondibaya pamoyo
zvekuti chichandiuraya ndichisiya mwana wangu iBP. Saka kuuya ne lipstick
waida kuzama kudii? Kutsivawo marounds andakanga ndaita. Saka
zvawakazoona kuti handina marounds andakaita will you delete that,
ndakuregerera Dillan asi nothing will ever erase mashoko awakataurathis
time. Nothing will ever erase that incident yekuti uchifunga kuti maybe
semazuva ose tichataurirana nemumwe wangu tonzwisisana iye ndipo
poonouya ne lipstick yaunonyatsoziva kuti haisi yako. This time you went too
far Dillan and the pain went deep inside."

"Sorry mai....."

"Wakarerutsa vara rekuti sorry kwandiri Dillan haricharevi chinhu


kwandiri,kana richitaurwa newe"

"Believe it or not lipstick handitozivi kuti ndakaiwanepi. Chandoziva


ndakapinda mu club pa Uptown ndikamutadza ndikatenga doro rakawanda
kubvisa stress. Handina kutomborinwira imomo asi kuti ndakatonyatsodzoka
kumba ndikapinda gate ndikagara mumota ndaive ndakakutsamwira mai
Fadzi saka ndaingoda kuzvi distructa kuti ndisakurova. Ndakanwa
ndakagara mumota kusvika ndakunzwa dzungu ndakagaramo mota yakuita
kunge iri kuspinner. Ndakavhura door remota kuti ndidane baba Tino
vandibatsire kupinda mumba manje kwandaiva nekwaiva ne gate zvaiva
kuresa ndikapedzisira ndangidonha handizivi zvakazoitika ipapo."

Handina kuda kuzomirira dzimwe nhema ini ndakavhura door ndikabuda.


Ndakafamba netsoka kusvika kumba ndikasvika ndichivata. Akaisa msg

382 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Ndaenda mamoyo wangu. Please find a place in your heart to forgive me.
Rudo ndirwo runondituma kuita sendinopenga mudiwa. Dzidza nesimba I
will not bother you or disturb you again. Ndichakumirira hangu I have amlot
to explain to you dai waindipawo mukana. Ndinotodawo help yako, that I
admit. Without you I am nothing. I will wait patiently though it will be very
difficult, yes very difficult but I will try. Ndosaka ndakaita sekuva selfish
kuvanza email yako, I feel kuti once you get out of my sight ndatokuruza.
Ndine shanje newe Shumirayi Mpofu. And no matter what may come
between us, no matter wakakura seyi muyedzo wacho, i will always love you
to the grave"

Ndakashaya kuti ndopindura kuti kudii ini. I was becoming confused


ndikaona kuti better ndimbosiyana nazvo.

Mazuva akafamba pressure ichiwanda asi mama mai Brian vaitikurudzira


vachiti that would make us even more perfect. Dillan haana kuzombodzoka
zvakare kana kufona hake aingovhura ma status angu. Muna June
pandakapiwa 2 weeks dzangu off I decided kunodzipedza ndiri ku SA
ndichiona mwana wangu. Aikura Fadzi zvaiyevedza akanga ava kutogona
kuimba ma rhymes eku creche aaidzidziswa nasis vake na bamnn Doug
vainzi bhudhi. Hanzi namai Chichi takaona kuti bhudhi ndiyo yavangakasira
kubata vana vacho. Kutaura vainyanya kuvasimbisira kuEnglish vachiti
ndiyo yavanodzidza ku creche saka naFadzi was becoming fluent in English
kutodarika shona. Ndakava nenguva yakanaka ku South Africa
ndokuzodzokera kuVic falls kwasara 2 days.

Ndakaona Dillan aisa status yakanzi

"Shamhu yacho yandiremera ko mutongo wacho usinga peri wakaita seyi


hama dzangu. Loneliness is killing me by each day"

383 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Chakabata munhu wese ichi ndakaona tete vouya ku inbox kwangu hanzi

" Maiguru moyo wangu wazorwadza manje. Vakatadza mkoma but eish
vanenge vabvuma. Makaona kubva paiti chero vakakwazisa vanhu pa group
havadairi kubva ipapo vakabva vati ziii chero kana panodiwa contribution
yemunhu wese havadairi. Makamboonawo here kupera kwavaita?"

"Saka mati ndidii tete?"

"Give him another chance. I'm begging you. Ndingange ndaita mweya
wetsvina ndikatarisa imba yenyu ichiparara maiguru ndichitarisa kumira
kwamakaita kuti marriage yangu isvike pano nhasi. Kwete kuti hatisi
kurwadziwa nezvamakaitwa asi kuti chingazonyanyisa kutirwadza kuona
mwana wenyu achizokura maparadzana. You taught me to forgive, you
taught me to pray, you taught me kutsungirira nyangwe pazvinooma mu
marriage."

Mai Chichi vakauyawo kuinbox vachitaura zvimwechete kuti varwadziwa.


Manje dai vaiziva havo kuti ini ndairwadziwa wo seyi vaitotanga
kubatsira ini. Tete vakanditumira pic ravaiti vakatumirwa na mama Agah
hanzi vakati mwana wangu ava kundirwadza chimunzwirayi tsitsi. This
time mhuri yose yanga yakajamuka chaiko. Bamkuru Regi voga ndivo
vaiita vachisunungura asiwo navo vakanga varatidzawo kuti he is the next
father figure hanzi vakanomuzvuva muoffice vakati enda kunotsvaga
mwana wevaridzi. Chavakagona vanhu vekwaMpofu vana Sinyoro havana
kana kuzviti fembu havo. Chero pandakaenda kuSA tete havana kana
kumbotaura nezvazvo vaitova murima. Ndaiziva kuti iye Dillan
haambomhanyi kuzvitengesa kuhama dzangu asi chaaizoshingirira kuti
tiyanane. Handina kuvata husiku hwese ndichiti ndakatarisa murume

384 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
wangu akapera kudaro misodzi yaiyerera. Ndakambofunga kuti pamwe
munhu kupera zvake nechirwere. Ndakamboda kumufonera pride
ikandikunda plus ndaimuti kudii? Murume wangu seiko kuwonda?

Ndakaona kuti kuzodurura moyo wake pastatus yaiva nyaya yekushaya


wekutaura naye zvaiva pamoyo.

Punishment chaiyo hapana chinorwadza sekufatirwa nemhuri yose kusara


wangova pamhene usina kana wekuchema kana kuseka naye.
Zvandakaita ipapo ndezvekuti ndakaita status yangu ive visible kwaari oga
every other contact it was hidden. Ndakaisa skeleton yake ndikati "it shall
be well". Reply ndakazoiona makuseni yakangonzi "thanks" zvikapera
zvakadaro.

Kupera kwa June ndaizoita 2 months ndichishandira ku airport saka


ndakagara ndaudzwa kuti ndichafamba zvakanyanya.

Mama mai Brian vakati vachayedza pavanogona napo kuona kuti ndasvika
kose kwandinofanira kusvika for exposure. Kumwe kwandakagara
ndaudzwa kuti ndichaenda kuMauritius ne kuDubai uye kwandaizonyanya
ku Durban.

Ndakanga ndavaudza kuti musi wakakutwa Dillan nepfuti takataurirana


tikawirirana saka vakandipa advice yekuti zvandava kuzofamba
zvakanyanya kudai ndimuzivise kuitira kuti asazongonzwa kuti ndava kure
kwakadaro asingazivi. Pakatombondipa stress ipapa ndafunga munhu
wangu kuti zvino akaita drama ne kuenda Ku falls what more kure kwese
uko? Ndakaudza tete na baba mukuru baba Chichi ndivo vandakanga
ndakanyanya kujaira kudarika baba Rihannah. Asi Ava ndakazoziva kuti
nguva yose ndivo vaitomboita vachisunungura and ndivo vakanyeurira
Dillan kuti ndaienda kugraduation kwa Lisa.

Baba Chichi vakati vachitaura naye Dillan asi vakandiudza kuti whatever
response yaachapa isandikanganisa ku achieva goal yangu. Haana
zvaakambotaura Dillan asi akanga hake ava kutumira ma msg kana
kungofona kuti angonzwa kuti ndiri seyi. Musi wa ndaifanira kuenda Ku
Mauritius ndiwo waakafona akangonditi "safe journey" ndikaziva kuti
akaudzwa natete ndivo va ndanga ndaudza zverwendo urwu zuro wacho.

385 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Zvakanga zvisina kujairika izvi asi ndizvo zvaitovapo kuti ndigone kupedza
zvandakatanga. Kutaura chokwadi ndakanga ndisisina kusununguka
kumurume wangu nekutya mashoko. Remember takanga tisina kurambana
hedu we just gave each other space. Tete vakanditumira conversation
yavakaita na Dillan achiratidza kubatikana kuti ndava kutya kumunanga
kana paine zvandinoda kutaura kwaari ndava kuita zvekupotera kuna tete
kana kuna babamukuru. Ndaitya mashoko ini ndizvo hazvo kuti takanga
tava kutaudzana asi ndakanga ndisati ndanyatsogadzikana.

Mama mai Brian navowo was so caring and helpful ndivo vakandiudza kuti
ndini ndaifanira kubreaker tension yaiva pakati pedu. Ndakamutumira pic
rangu ndapfeka uniform yangu ndina mama mai Brian nevamwe two
vataizoenda navo ku Mauritius.

"You are looking gorgeous Shumie. All the best. Let the sky be the limit."

Ndakambofunga kuti ndatadza kuverenga asi ndizvo chaizvo zvaivapo.


Ndakada kumunzwa ndikamuti "next time toenda tose" akabva angotaura
ipapo kuti "imboita zvebasa hun tichafara hedu imwe nguva".

Communication yakaita ichi improva pakati pedu kunyangwe ndirini


ndaitanga kazhinji kacho. Ndakazoenda ku Mozambique muna October
na November ndokuzodzoka ndichipedzisa attachment yangu two weeks
dzanga dzasara. Yaingova nyaya chete yekuti ndaifanira kumbonzwawo
perfume inoshandiswa na President vachindibata misoro wangu ndichipfeka
cap of knowledge asi ndainyatsonzwa kuti I was now loaded and ready to
take hospitality and tourism to greater heights. Ndakaona kuti chikamu che
attachment ndicho chakanga chakanyanya kukosha pa kudzidza kwatingaita.

Musi wandadzoka kuMozambique akafona Dillan tikaita almost 1 hour


tichitaura. It was after ndapindura status yanga yakanzi "The wait is almost
over. Thank you Lord you taught me to be patient"

386 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Yes the wait is over ndava kuuya kumba"

" Asi uchenjere kundishaya ndapera shaa"

"Don't worry ndava kuuya ndokuisa pa feeding scheme"

"Dai mazuva aiva angu nenguva iri yangu ndaingoti two weeks dzasara
dzikwane mangwana hadzo. Ndakusuwa mukadzi wangu. Kuita nherera
chaiyo gore rose usipo"

"Neniwo ndava kuuya Mhofu vangu I can't wait anymore."

"Ndokumbirawo kuzokutora mukadzi wangu?"

"Manje ndine motaka iri kuno ndoita seyi nayo?"

"Haisi problem iyi toshandisa iyoyo ndouya nema bhazi."

387 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Akanga anonokerwa shuwa Dillan kusarudza kuuya nemabhazi
aakapedzisira kukwira hameno kuti riini. Week rose taiita rounding off
ndokuzoitrwa ka farewell pabasa kedu tiri vaviri na Brian Thursday
yatakapedza. Saturday ndaifanira kusimuka saka ndakaswera
ndichirongedza zuva rovira kuma 4 Dillan akafona achiti asvika. Akanotorwa
nemota na Brian akasvika akatenda mhuri iyi nekundichengeta kwavakaita.
Akavapawo gift yakanga yakaputirwa zvakanaka naka zvandakanga ndisina
kutombofungawo ini. Maiva nema wrist watch maviri epure gold aaiti
akamatenga kuSouth Africa pa akaenda Ku 3rd birthday ra Fadzi Dee. Anga
atokura mwana wangu zvekuti pandainopedzawo degree ndaibva
ndamuitira kabhudhi kekutamba nako. Ini dai kusiri kuti bambo vakanga
vanonokerwa ndaida kuti mai Chichi vauye na Fadzi timboita week
semhuri tiri pama popoma tichiita belated birthday celebration asi chero baba
mukuru na tete vakarambisisa hanzi chimbotangai masvika kumba
mazorora mwana anouya. Kwaingova kutaura pachikuru kuti chimbowanai
nguva henyu muri vaviri pasina ma disturbances.

Ndakashamisika Dillan achioneka kuti tava kutodzokera ku Gweru


manheru iwayo apa 7 yakanga yava kutochaya. Vakambozama vana mama
nababa Kuimbira kumu discourager kufamba husiku asi akatsika madziro
vakazongotirega tichienda. It was painful kuparadzana nemhuri iyi kana ari
sa Brian akadonhedza misodzi chaiko. They were just too good.

Takasimuka kwava kutosviba asi handina kunzwisisa road yatakashandisa.


Ndakangoti pamwe ndeimwewo road yaizongotisvitsa kwataienda.
Takafamba kuda 3.2 km ndikaona tasvika pane imwe lodge ndokupinda
mukati akapaka.

"Pano panonzi pa Nguni guest lodge ndipo patichambozorora ndakabooka


1 week uchizororora tiri pano tozoenda kumba. I felt kuti we need time tiri
toga just the two of us. Tine zvakawanda zvekutaura mai Fadzi. Yes we
are good again but ndaona kuti hatingaiti as if nothing happened. Plus

388 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
masuwiro andakuita mukadzi wangu ndaona kuti pamba pevanhu
hazvingabudi plus road yacho haingafambiki."

Kungonzwa izvozvo chete ndakatekenyedzwa mupant ah imika kuita sezvine


wara chaiko. Ndakanzwa kuda kukwenyewa kwandisina kumbonzwa gore
rose kwakauya zvine power. Takapinda mukati ndakashamisika kuona
kuti bag rake rakanga ririmo akatanga ambosvika ikoko asati auya
kuzonditora.

Door akatozovhara negumbo ndatobatwa nemuchiuno miromo yedu


yatomharana kare. Ndakasimudzwa kuenda pamubhedha miromo
ichingova pabasa. Nzou hairemerwi nenyanga dzayo chokwadi nekuwonda
kwaanga akaita akasadharara kundijima. Ndakanga ndati dzikireyi hangu
muviri asi shape haina kurasika. Haana kuita zvandaiva ndakatarisira ini
akatosvika ondigadzika pamakumbo ake. Ndainzwa kuda murume wangu
zvekuti nyaya dzaaida kutaura dzaizouya hadzo later. Ndakamunama
muromo nekiss ndichirwisa kuvhura ma button e shirt mamwe achiita
ekudambuka. Nenguva isipi tanga tava Adam na Eva ndikaita
zvekufuratidzwa ndakatsikiswa rimwe gumbo pasi rimwe pamubhedha
ndikarohwa from behind maoko ake akapota akasangana pamikaka yangu
achitambisa minyatso yangu. Sevanhu vanga vaiva kare hatina kutora nguva
takatetsura chorus yekunakirwa nekutoita makwikwi ekuteurirana. Akaita
kuwodzvoka chaiko zve munhu akanga akaunganidza kwenguva akatora
kuda minute yose achigwinha nesimba akaita kumonerera pandiri zvine
simba ndokuzoti vhorokosho takadaro ndakabereka munhu wangu
tichidzora mweya wekufema. Ko ini kuzoda kubata netuhope
ndakatozopatika ndichinzwa kunyorova kumusana nekukwiridzira
madzihwa. Aichema Dillan ndikavhiringika ini.

"Ko chii futi nhai?"

389 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakaita kunge ndawedzera kuvhura pombi ye misodzi ndakaona kuti
whatever chaimuchemedza aida kuti ambosiiwa apedze shungu.
Ndakangogona to bury his face on my naked chest akapedza shungu dzake.

"Sorry mai Fadzi ndatadza kuzvidzora. Ndakanga ndapera tariro kuti zuva
rakadayi richazovapozve muupenyu hwangu. Kutaura chokwadi pane
pandakambofunga kuti that was the end of us. Zvatabva kuita izvi munana
mukuru chaiwo and I wanted it to happen ndatanga ndatura zvakaremera
moyo wangu asi zvatadzika."

"Izvozvo zvega zvinotaridza kuti iwe neni we were meant to be. Do you still
remember the vows dzatakaita pamuchato. I still remember very well
zvawakandivimbisa."

I heard them once kubva ipapo I could recite them chero ndichibva kuhope.
Ndakamudedemurira word for word akashamisika nazvo.

"What else can I expect from a genius."

Takamborezvana hedu ndokuzoenda kunogeza. Chikafu chakauya tikadya


sevanhu vakanga vabva vasina kudya ndipo patakatangira kutaura ipapo.

"Hongu wakataura kuti sorry yangu haichareva chinhu kwauri asi ndinotizve
sorry mukadzi wangu uye Mwari voga ndivo vanoziva havo kurevesa kuri

390 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
mumoyo mangu. Email yako ndakaona zveshuwa musi wa 17 December
ndikanyarara ndichifunga kuti pachaita imwe miracle yekuti uwane
attachment padhuze kuno kwakanga kwandiitira kure shaa. Ndakatadza
ipapo kuti ndakazvikoshesa ini kuti how will I manage ndisinewe, 1
ndakanga ndakajaira kuti unondiitira zvose iwe mukadzi wangu then 2
ndakanga ndaona kuti handingambokundi kugara ndisingawani sex
yandakaziva kwauri iwe wega.

Saka pandakafonerwa kuti waenda ku MSU ndakavhunduka ndipo


pandakazofonera imwe client yangu vanoshanda pa Midlands hotel
akandiudza ipapo kuti nzvimbo yako iripo. Pandakasvika kumba ndipo
pandakawana mwana achichema zvaityisa zvekuti ndakapotsa ndamhanya
naye kuchipatara asi pandakamutora akabva anyarara nekuvata asi aimboita
sekuvhinyuka achivhunduka kunge munhu arumwa saka ndakatozoona
pawakanditumira pic kuti pamwe ndaimudzimbira. Manje nekupererwa
kwandakanga ndaita kuti mwana aita seyi ndobva ndaudzwa kuti kuchema
kwake kwaiva kwekuti pamwe ini kana iwe takanga tichiita upombwe pa
nguva yaichema mwana ndikabva ndatongopa conclusion kuti ndiwe
nekuti ini handina kumbenge ndaita zvakadaro. Iwe vakabva wauya
uchitaura zvekuti wawana attachment Ku falls ndikatozvibatanidza
ndikabuda nekuti ndizvo zvawakanga waswera uchishandira. Ndakaita
shungu plus kurwadziwa chaiko mukadzi wangu zvekuti mashoko and
akataura ndaida kuti unzwewo pain yandainzwa mandiri though ndainzwa
ini kuti nothing would compare to the pain that I was feeling inside.
Kubuda ndakaona kuti ndaigona kuita ngozi kukuuraya kana kuzviuraya
ini. Ndakapinda muclub for the first time ndikatenga doro ndokugara
muUptown. Mahure akabva atotanga kundivinga ipapo ndakatora doro
rangu ndikabuda kudzokera kumba. And ndakanyatsovhurirwa gate na baba
Tino ndikapinda and doro ndakanwira mumota. Ndakapedzisira kuziva
pandakanga ndotanga kuvhiringwa naro and the next thing ndakanga
ndakapepuka ndakamessa ndiri mumarutsi and ndakanga ndava kunzwa
zviri nani. Lipstick ndakaiona asi ndakatadza kuziva kuti yakanga iri yaani
nekuti ndakatarisa pa dressing table pakanga pasina yakadaro. Even perfume
yainhuwa pa shirt pangu kaiva kekutanga kuinzwa plus inenge yakaita
zvekuti spraiwa kwete kuti ndakazadzwa. Time dzaiva kuma past 3am iwe
nemwana makanga musimo. Ndakageza ndikawacha nhumbi dzandakanga
ndamessa asi ndakanga ndisina simba hazvina kuchena, ndipo pakauya mai
Tino kuma past 4 vakagogodza pa bedroom vachiti vakanga vasvika door riri
wide open saka vaida kuziva kuti pane angava abuda panze that early here

391 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kana kuti pakaita mistake tikavata door rakashama. Vakanzwa smell yaibuda
mubedroom medu ndikazovaudza kuti ndakanwa doro kubvisa stress
rikandivhiringidza. Vakabvunza kuti iwe uripi ndikavaudza kuti ndapepuka
usimo vakataura zvakawedzerawo hasha dzangu. Vakati it shows disrespect
kuti mukadzi anobuda mubedroom maita kunetsana achinovata kunze.
Zvingava nani kuti murume abude pane kuti mukadzi abude especially ne
condition yamuri iyi zvinobva zvaratidza kuti munhu haachina hanya anga
agara akangomirira kunzi tokonyo. Saka she offered to clean iniwo ndaiziva
kuti havasati vambosvika that far asi ndaida kubatsirwa iwe wakanga
wanditiza. Chimwe zvakare ndaisada kuti ugoona lipstick yaiva pahembe so
ndakaona kuti better vaite. Hasha dzose dzaiva dzekuti uve frustrated
uramwe uti Ku falls hauchaendi wobva watora offer yekuMidlands hotel.
Ndaiziva uri loyal and obedient and I took advantage of that to somehow
abuse you ndisingafungiri, asi ndakazopatika pakauya baba Ree kubasa
kuma 12 vachiti ko mainini nemwana varipi? Ndipo pavakazondiratidza ma
msgs epagroup since ndakanga ndisina phone. Msg yako yawakatumira
mai Chichi ndiyo yakandivhundutsa pawakati wava kungotetereka nemwana.
Ndakafona kumba ndikanzwa kuti wangochena chena ukabuda usina
chawatora pamwe waenda ku MSU ndiwo matauriro akaita mai Tino. Saka
ndakanga ndatoona kuti munhu Aida kungokuchidzira from previous night
and ndakaziva kuti kuMSU hauna kuenda ko. Takasvika kumba ndikawana
vakandimirira chaiko vakasvika vachingoti "Mava kutadziswaka kushanda
newamakabvisira pfuma. Zvimwe zvinongoda kuva firm kuti munhu azive
position yake otherwise munowora nezvirwere"

Baba Ree vakabva vavati vabude tikasara ndichiudziswa zvikazara munzeve


nemuhana. Mashoko akataurwa neunyoro anodzama zvekuti newe
unomanzwa. He was angry just like everyone else asi havana kunyanya
kubva vandirasa zvakaita vamwe. Chavasina kuita kundiudza kuti uripi
until musi wavakazondinyeurira kuti uri kuuya Ku graduation ya Lisa
ndiye zvakare akandipa zano rekuti nditevere.

Phone ndakazoipiwa namai Tino vachiti vakanga vaiona vachitsvaira


vakakanganwa kundipa saka vakazondipa pandakadzokera namkoma ipapo.
Havana havo zvavaigona kuita nekuti yakanga iine password. I felt so
ashamed of myself and mashoko aitaurwa pa group akanga achibaya pamoyo.
Derrik akaisa video pa group ndichiita mashura ndikashaya pekupinda
ndikaita exit. Akandidzosera zvakare ndikabuda daddy ndivo
vakazondidzosera vakataura kuti kana ndabuda ndibve ndabuda zvachose

392 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
zvese nemumhuri. Akandigozhera mashoko iwayo kunyangwe nanhasi
ndikamafunga. Ndiwo akandigarisa mugroup asi it wasn't easy. Mhofu snr
ndivo vakaita zvekundifonera vakangoti "ko zvadii futi nhai mwanangu?
Ndikangoti sorry dad. Ndakabatikana vachitaura kuti havana kugona
kukomenda zvakawanda pa grp vaitya kuti vaizogona kunzi ndakatadza
ivo. Handina kana kudaira zvavaitaura ndakashaya kana mashoko.
Ndakazama kukufonera usinga bati phone just like everyone else ndipo
pandakapererwa. Ndakafonera vana mama kuNjanja zvakangwara
ndakatoona kuti hauna kuendako ndikashaya kuti kumwe kwaungadaro
waenda ndekupi. Baba Ree ndivo vakazotenga rimwe line vakandipa
ndakatumira ma msgs. Pawakatumira pic remwana ndipo pavakauya
mupfungwa dzangu kuti mwana aitsunyiwa kuti acheme kudaro nekuti pose
pavaindifonera ndaimunzwa achirira chaiko. Ndakavabvunzawo vakati
havazive kuti chii chakaitika mai vemwana ndivo vangatoziva. Saka
ndakazovati vambomira havo basa pane zvanga zvoitika zvandisina
kufarira. Saka vanga vachingova Ku cottage kwavo nekuti Jane akabva
azouyawo achizotora ma results ake."

"Eish munoziva ndakazvirivara zvose izvozvo nekuda owe pressure


ndofunga anongoti ko sis vakagumbukeyi chaizvo."

"Akabuda ne 6As 2Bs nema D maviri ku history ne Biology. Saka ndakanga


ndati asanotanga A level akaramba pakati ndombomira sis vatange vadzoka
plus akati haasi kuda kuenda ku A level anoda kuenda Ku army kunoita
musoja. Saka paakadzoka ndiye anga akuita hake basa saka akaendawo
kumusha zuro kuti ambonoonawo vamwe since achienda Ku training
January. Plus ndakaona kuti asare ega pamba zvingamuremera. Recently
apa ndaiwana akazvikiira mumba hanzi mai Tino vanonetsa vanouya
vachindibvunza zvisineyi neni zvandisingazivi."

393 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
" Saka hanzi ndoguma form four here?"

" Hanzi regai ndiite ndishande ndibatsirewo vabereki vangu


ndozoverengawo kuenda mberi ndava kushanda"

Ini ndaida kuti adzidze kusvika panoperera shungu dzake asi it seems
akanga atoita decision plus iye ndiye akanga abvako kumusha kwacho ndiye
aiziva paitaira kumba kwavo. At least we had done our part. Ndakabatikana
ne yekuti baba namai Tino vakanga vogara vachingonetsana and recently
kwakanga kwauya muningina wamai Tino akanga adzoka Ku murume
wavaigara naye Ku cottage kwavo ikoko. Hanzi vainetserana kuti ivo mai
Tino ndivo vakanomutora kumurume vachiti irombe saka baba Tino vaiti
watotendera mwana kuita chipfambi and pano agovingeyi tiri pabasa wadii
kumuendesa kumusha.

Ndakarwadziwa kuti akaita 3 times achiadmitwa muhospital nekuda kwe


depression uye anga ava kuita ma migraine headaches akanga achitova
nemapiritsi aainwa.

" Handina wandaimboudza ini nekuti it seemed noone cared kunyangwe


vana baba vangu chaivo. Ndaiona kuti kuvaudza ndaizoita sendinoda
kutsvaga attention yevanhu vakatondi deleta muupenyu hwavo. Chero
kuuya kwandaita hapana wandaudza ndangobuda. Recently havo vanga
vava kuitavachimbofona havo kunyanya Daphne nemukwasha."

"Ndakarwadziwa Dillan asi zvakatodarika ngativake imba yedu tichienda


kumberi. Tose ipapa ndinoona pane zvatakatodzidza zvichativaka
nekutisimbisa mune ramangwana. Thank you for waiting for me.
Ndakadzidza zvakawanda mukufamba kwandakaita uye mikana
yakawanda yekuti tikabatisisa tinosvika kure. Ndiri kuona tichizonogara

394 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
elsewhere kusiri muZimbabwe tikabatisisa mikana iripo especially Ku
Mauritius neku Singapore ndiko kwa ndakawana ma connection akawanda
nekuti ndaitofamba ndakavhura meso nzeve nepfungwa."

"Thanks mukadzi wangu. I'm sorry ndakanga ndoda kuzviruzisa shuwa."

Vekutora ndiro dzavo vachingobuda takafadzana mutowo wese kuita


setichayedzesa kunze. Following day takaswera takazorora tichironga
nekuudzawo mumwe wangu zvandakaona mukufamba akatoonawo kuti
chokwadi takanga takazvimbunyikidza muGweru mikana yakaita
zvekuremberera kunze uko.

"Ndikutoona kuti ndipo pane imwe secret yekubudirira kwa Derrick. He


travels a lot vachiona ne kudzidza zvakawanda. Thanx mukadzi wangu
nekundivhura meso"

Vhiki yakapera tichifara nekuzorora zvedu. Ndakazotanga kurongedza kuti


timuke tichipinda pa rwendo. Ndairongedza ndichingotevererwa
ndombomiswa ndichikiswa. Ndakatozorega zvakwidza ndikaridzwa seri
neseri and energy yacho yaaiva nayo ndakaivhunduka. Hameno kuti chidobi
chekuti akachovha akanzwa zvoshata obuda oisa rurimi akachionepi.
Ndakachovhewa almost 1 hour ndasiti rakata wara rose rapedzwa
ndongowowora non stop iko kuteura mvura handichatauri. Akazopedza
akaita zvake zvekuwomera pandiri achikuturira mukatikati chaimo. Takavata
tisina kugeza hapana akanga achine simba racho. Kuseni ndipo pa
ndakazopedzisa kurongedza bag rake ndokuzunzawo rangu kuti
ndirongedze.Ma documents andakabva nawo ndakamboma tarisa kuti
yakakwana here. Ndakaita kunge ndichafenda ndasangana nechi card

395 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
chandakapiwa musi wandakabaiwa contraception ye 3 years. Ndakabaiwa
musi wandabuda muchipatara Fadzi aine 5 days kureva kuti rakanga
raexpire karesa. Ndakaerekana ndati pasi vhorokosho.

Dillan akauya pandaiva akatora card riya akaverenga. Ndakanga ndatoteya


nzeve kuudzwa magara moyo ndikaona ndosimudzwa paya ndokanogariswa
pamakumbo.

"Haisi mhosva yako iyi neniwo I should have reminded you


ndakazvikanganwa. Ini hangu chero ukaita pamuviri pa Jnr I don't mind
ndinongonamata chete kuti pasakurwarisa zvingazokudisturba kupedzisa
chikoro. Asi sezvinhu zvatanga tisina kuronga tichisvika first thing toita
preg test. Ukaita nagative wotonobaiwa and if positive totambira zviripo."

Takasimuka kuma 12 chaiko masikati tichifamba ne speed yakanaka. Mu


Byo takapinda kuma to 4 chaiko. Mvura yakatanga kupurana tikambomira
nekuti yaiva nechimvura mabwe. Takazosimuka kwagasa kuma7 manheru
tava kuenderera mberi ne rwendo. Taikurukura nekufara and hatina
watakakwidza lift. Tichiti tinobuda muShangani mberi kwedu kwaibva
gonyeti rataifanira kupesana naro. Rava about 30m away rakangobuda
mulane maro ndikuuya rakatinanga zvekuti nepatakanga tava Dillan
hapana zvimwe zvaaigona kuita. Akangorega steering wheel akandidhonza
akandimbundira nesimba. Chandakanzwa kurohwa kwatakaitwa head-on
kubva ipapo handina chandakazoziva only kuzomuka ndiri ku Private
hospital kwa baba mukuru vangu Khumalo Ku SA ndichiudzwa kuti
ndakaita 3 weeks ndiri unconscious uye .........

396 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 28
Dillan

We were good again. After what I can call the hardest blow on our marriage,
we managed to sail through. At one time I was very angry towards my family
asi mkoma wangu Regi aindisimbisa and not even one day raakambotaura
zviri nagative pamusoro pavo kana kuti vari kukoniwa, asi kuti
ainyatsotaura point blank kuti vari right vaida kuti ndidzidze lesson uye
ndigone kuona pandaikoniwa uye kuona kukosha kwemudzimai wangu
kwandiri and to the whole family. It was very impossible kumedza mashoko
andakanga ndataura kumukadzi wangu kunyangwe ndaiziva hangu kuti
Shumie munhu munyoro, slow to anger and quick to forgive. Asika that
move yaakaita yekutakura mwana akenda showed me ndisina kana
kumboudzirwa kuti ndakanga ndazvinyanya naiyewo she was fed up.
Ndakamboti kutambaka ini pakauya mkoma ku office vachitaura kuti Shumie
aenda nemwana plus mai Tino pavakataura kuti abuda asina kana handbag
zvayo ndakangoti kuda pane padhuze pavari asi ndakazobata chokwadi
patakasvika kumba ndichiona kuti zvaakanga atakura zvaigona kuti agare
zvachose oga nemwana without me muupenyu hwavo. Ndipo
pandakachitanga kuona kuti hohwa hais nyama.

Kuita exit kwandaiita mugroup refamily kwakanga kusiri kumhura kana kuti
kujairira ayewa asi kuti nyadzi chaidzo uye kurwadziwa nemashoko. Hapana
aitaura mashoko ekundiputsa ayewa asi vanhu vakanga varwadziwa.
Ndakanga ndogaya kuti mhuri yangu iri payi and kwakanga kwakutovira.
Ndipo pandakazoona mapics aiiswa na Derrick ndikaziva kuti akanga
avawana. Ndakarukaka kuenda ku SA asi vakanga vasiko and vakarambisisa
kundiudza kwaakanga ari. Wavaiva naye mwana chete. To cut the story short
that was the hardest year of my life even after ndaziva kwavakanga vari.
Musajairira kuignowewa even by your own father or your own siblings.

397 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Loneliness yoga killed me from within asi ndakazviudza kuti ndichashinga
kusvika mukadzi wangu andipa mumwe mukana zvakare. Chero patakanga
totaura tose handina wandakaudza ndaitya mashoko kana kuomesera iye
kuti anozonzi kana zvaipa uzvionere. Akaita attachment yake and ndakanga
ndakutoyemura ndichiona ari kunzvimbo dzimwe dzaaisambokwanisa
kusvika dai akawana attachment kumwe kusiri ku vic falls. Ndaingoona
mapics ndongoti nechemumoyo " Believe it or not, I am proud of you my
love". Dzaingova shanje chete asi her achievements aitondipawo kahana
kemufaro. Shanje chaidzo ndidzo dzaindipengesa ini kungoti zvandainzwa
ini nekuda kwamamoyo wangu vamwe vanhu vaisazvinzwisisa .
Dambudziko raizova pakuti dzimwe nguva naiye nyakudiwa wacho akanga
asingazvinzwisisi.

Pakaitika nyaka nyaka yose iyi pane zvandakadzidza zvakawanda and


ndakanga ndava kuda kuva the best husband to my wife and the best dad to
my daughter nevamwe vana vataizoita and the best son to my parents.
Ndakava nyadzisa ne kuita kwangu and I was prepared to ammend every
relationship. Daphne akanga atokura veduwee akapopota akazvirega asi
handina kumbomutsamwira. Akarwadziwa mwana wamai vangu
akandivhurira mafaera ose ekubva zuva randabva na Shumie kumusha
ndikanyeba kuti muzukuru waTrevor, dzose dzatakapindana nadzo kusvika
pazuva iri, ndiye aivapo neni and witnessed all, akachema mwana wamai
vangu kusvika pakuti "musataura neni futi". Dzaingova shungu ndiye
akazotanga kunditaudza futi ndipo pandakazomutenda nemashoko
anovaka aakandiudza neshungu.

Jane ndakanga ndisina kumbomutaurira zvakaitika paakauya but


ndakatozonzwisisa kuti aizviziva pa akataura kuti mai Tino vanouya
vachimuudza nyaya dzaasineyi nadzo. Ndairwadziwa nekuti baba Tino
varege basa sekufunga kwandakanga ndamboita ndikaona kuti ndinenge
ndavarova nemhosva isiri yavo and he is the one who would suffer more
considering kuti ndini ndakavasiisa basa Ku MidSec kwa vaishanda
ndikavatora vachizoshanda pa 15 marlvin. Ndicho chikonzero ndakavatora

398 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
dad pa vakati havana need ya gateman. Vaiva munhu ari bhoo zvavo
anoteerera uye akazvininipisa. Manjezve kuti nditi abve nemhuri
vanogara kumwe ndeimwezve expense plus ini ndaitambura kugara
ndisina poto yandakanga ndakajaidzwa daily wani sakaa kuri kuvaomesera
kuti nditi mukadzi abve nevana.Ndakangoti anogara Ku cottage ikoko Jane
kana azoendawo ku army kwaaida kuenda taizoona zvimwe zvekuita uye
Shumie anenge adzoka aiona zvekuita samai. Paisambonetsa hapo nekuti
taizenge tichingova vaviri Fadzi akanga anzi achatozodzoka kana mai vake
vagraduata. Vakanga vauya nemuningina wavo mai Tino aingogogodza
husiku asina kusimira zvakakwana hanzi ndokumbirawo mvura inotonhora
yemu fridge. Ndakambopotsa ndavapa Imwe fridge yaiva my garage
yatakanga tisingashandisi ndikaona kuti ndinenge ndamhanyisa muridzi
asipo pamwe aiva nehumwe hurongwa nayo.

Ndaityaira zvakanaka ndisingamhanyi tichiita nyaya nekuseka nemukadzi


wangu. Taitaura nyaya dzakaitika mumwe nemumwe kwaakanga ari gore
rose rakanga radarika tichiseka paida kudonhedza misodzi yaidonhawo
zveshuwa. Yakatisetsa ndeye pandakadonha kuoffice ndikatekaidzwa ne
vasikana vatnotishandira kupinda mumota one wavo akatyaira kumhanya
neni ku 2nd street hospital, saka ndaibvunzwa kuti vakanga vakabata pai
pavakandisimudza. Ndakaseka paakati "they are all fired". Heya naiyewo
shanje dzaivapo nhai? Tanga takuenda kumba kwedu kunotanga
patakasiira asi tazarurwa njere, kusandurwa mafungiro uye rudo rwakanga
rwakuchidzirwa. Week yatakaita paNguni yakatibatsira kudzoreredza rudo
rwakanga rwapfunzunuka. I couldn't wait to be at our home again with my
dear wife tichironga hupenyu hwedu uye ramangwana redu nevana vedu
murudo.

Gonyet parakauya rakatinanga pfungwa dzangu dzakamboita blank chaiko


kushaya kuti ndodii. Mukadzi wangu akangosheedzera kuti "Jehoooovha"
achibva avhara maziso nemaoko ake. Chandakagona kuita kungosiya
steering wheel ndokumudhonzera pandiri. Ndaida kusimuka ndoita
wekuvhumbamira kuti whatever zvaiitika zvitange pandiri but it was too late.

399 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Pafirst impact ndakabata mukadzi wangu zvakasimba ndakamuisa
pachipfuva changu ndichiona rufu ruchiuya ndakarutarisa nemaziso angu
pasina chandaigona kuita. Rakapinda matiri gonyet asi luck ratakazoita
ndereti harina kuti pwanya asi takakwekweredzwa for some meters
ndichinzwa kuti Shumie akanamira pandiri. Kubva paakataura kuti
"Jehovah" haana imwe sound yaakaita chero kuchema hako kusvika
pakazomira gonyet. Ndakanga ndisisagoni kufema takanga tasvinwa
tikambundirana kudaro and we were trapped inside. My wife was not
making any movement ndikatozviudza kuti ndaurayisa mukadzi wangu. I
tried to call her ndichida kumusimbisa kuti hang on tinobatsirwa asi neni
pressure yakanga iri pambabvu dzangu yakanga yondikurira kufema
chaiko ndakanga ndotadza. Takaita almost 30 minutes takadaro pasina
rubatsiro rwatawana. Pane akaputsa window kuside kwataiva
ndikatombonzwa mhepo zvishoma asi simba ndairinzwa richipera. Phone
yangu yakatanga kurira iri mupocket yeshirt mangu ndikaona munhu uya
ainanavira akaitora. Ndakangoti Mwari hameno kana iri mbavha nekuti
handina kuona kuti munhu akaita seyi kwakanga kwakusviba plus ini
ndakanga ndatoperawo hangu. Ndakazonzwa sirene after about another hour
ndikangofungira kuti i ambulance kana fire brigade. Madoor emota akaita
zvekuchekwa chaiko tikaita zvekuzvuviwa tichiburitswa mumota tichitoiswa
pama stretcher. Ndainzwa ndichipera bit by bit asi randakanzwa i voice ra
dad raitaurira kure kure vachindidana rima richibva randiti tiba.

Ndaiita sendiri kurota ndiri mumupata makanga makamanikana pakati


pemakomo muine mweya wekufema waiita uchivhirirwa mushoma shoma.
Maiva murima guru asi kumusorosoro ndakaona Shumie ariko achininira
ruoko kuti ndiende kwaari. Paakanga akamira iye poga ndipo paiva ne
chiedza. Pakaita manera akadziswa kusvika pandaiva nemunhu wandisina
kuona ndikatanga kukwira asi it wasn't easy asi kuona kwandaiita mukadzi
wangu ari kumusoro ikoko zvaindipa shungu dzekuramba ndichishingirira
chete kuti ndisvike kwaari. Zvakanditorera nguva yakareba kusvikako asi
pandakati ndimbundire mukadzi wangu akanga asisipo pandaiva ndakamira
ava chinhambwe achifamba achienda asi akanga achingoteverwa nechiedza
chake chakanga chiri paakanga ari chete. Ndakanga ndisina simba asi
ndakaunganidza tushoma twaivapo itwotwo ndikadaidza nezwi guru
nonstop ndichida kuti ndizame kutevera asi, makumbo akaramba chose

400 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
kusimuka. Ndakazoita zvekuti vhazu ndichirohwa rohwa kuita munhu abva
kuhope huru dzemadzikirira chaidzo. Ndakatanga ndichiona madzengerere
padiki padiki ndikatanga kupengenuka. Pandakasidza ruoko ndichida
kubvisa chakanga chakaiswa pamhino pangu ndipo pa ndakatanga kunzwa
kurwadziwa tsono dzanga dzakabairirwa maoko ose.

"Dzikamai Mr Mpofu munozvikuvadza mirayi ndidane doctor."

Akabaya button ndikaona pasina nguva mkoma wangu apinda.


Chandakatanga kuita kubvunza mudzimai wangu kunyangwe zvangu
ndakanga ndiine chokwadi kuti haana kukunda kubuda patsaona.
Madzvanyidzirwo aakanga akaitwa ne steering wheel nepamusana uye
kunyarara kwaakanga akaita hakusi kwemunhu akanga ari mupenyu uko.

"Thank God wamuka Dillan. How are you feeling"

"Ndaurayisa mukadzi wangu mkoma. I will never forgive myself.


Vachazvibvuma here vanhu kuti it was an accident. Ndaurayisa mwana
wevanhu kani"

Ndakachema veduwee mkoma wangu akatozonditi akundibaya injection


yekuti ndivate.

401 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Ingondibayai henyu rekuti ndivate zvachose mukomana. How will I
survive without my wife? Zviri nani ndife hangu ini"

Calmness yaiva namukoma vangu yaitonetsa kuti ufembere kuti nyaya iripo
chaiyo ndeipi semunhu akanga asina zvaati ataura kuti Shumie mupenyu
here kana kuti kwete. Apa aitobaya baya phone yake ndokuzoiisa
muhomwe achibva auya pa ndaiva. Ipapo vana Mhofu vakabva vapinda
vari vatatu ma Derrick. Ndakangobata kumeso kwangu nemaoko angu
ndamirira hangu kuudzwa anoremera moyo. Ndakatoona kuti hapana
achambobvuma kuti handina kuita maune considering mamiriro anga akaita
relationship yedu. Hapana zvakare wandakanga ndaudza kuti ndiri kuenda
kunotora Shumie handina wandakaoneka vozongonzwa kuti afa ndiinaye
haaa picture yacho ndakanga ndatova nayo nechekare.

"Ko chii chakaitika Mhofu manga magona wani kunotora mhuri yenyu ko
zvakazoipira papi nhai?"

"Ndakaurayisa mukadzi wangu dad dai ndakangorega akauya ega."

"Mamoyo mupenyu mwanangu kungoti......"

"Mhaa? Shuwa here dad ndiendeseyi kwaari please"

402 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
" Chimbodzikama first Dillan. Mai Fadzi akakuvara zvakanyanya saka haana
kutombovata pano akangosvika achitakurwa ne ambulance kuenda ku
Bulawayo kwaakanosangana nana Derrick nemudzimai wake vakaronga
private jet to south Africa vafona mai Chiedza vachiti vasvika kuma 4am.
Hanzi she is stable but still unconscious. Totenda Mwari kuti there is hope."

Hope iye munhu ari unconscious here? Hope handiti inoonekwa kwandiri
ndakanga ndamuka here? Ndakaita kubaiwa pamoyo chaipo ndikachema
kusvika Reg atozondibaya injection yaakanga ambondivhundutsira nayo.
Ndakazomuka kuma 4pm ndikawana Derrick arimo akavata hope
chaidzo pa chair. Ndainzwa muviri wangu kuti hauna kana imwe pain
yawaiva nawo kunze kwepagotsi paiita sekurema. Ndakabata ndikanzwa
kuti wakanga wakapombewa ne bandage. Ndakanga ndatobviswa ma drip
ne zvimwe zvitambo tambo. Pakamuka Derrick ndakanga ndiri busy
kutsvaga pakanga pakakuvara ndikapashaya. Akauya akandimbundira
Derrick.

"Mwana wamai vangu waida kundisiya nani nhai usadaro shaa."

"Derrick ndiwe ungatondiudza chokwadi. How is my wife?"

"Honestly mainini vakakuvara Dillan. Asi takungoisa kutenda kuna Mwari


nema doctors kana vati there is hope kureva kuti vanenge vazviona kuti
iripo tariro. Vakanyanya kukuvara musana wavakanga vaka mbaniwa ne
steering wheel kozoti a few ribs dzakaita kukuzvika. Ndakafona pa fon
yako kuma past 8-9 ndichida kunzwa kuti mafamba seyi nekuti taizviziva
kuti maiva mose Ku lodge 1 week and pamakasimuka mainini vakataura.
So yakadairwa neumwe munhu akatiudza zve accident iyoyo achiti

403 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
hamusati mawana help kana paine zvimwe zvandaigona kuita. Akabva
atotumira pic ne phone yako iyoyo ndofunga yakanga isina password."

"Yes ndakaibvisa pandakaenda Ku falls. Usually kana tiri toga hatiwanzoisa


ma password or tinoisa inozikanwa nemumwe."

"Ndakabva ndaisa msg pa grp ndikaforwada pic kuti vazive kuti votsvaga
help yakaita seyi. Ndakanzwisisa kuti muZim mukasachangamuka imi
mawirwa nedambudziko vanhu vanofa muchiudzwa kuti mota hadzina
fuel. Saka mukwasha ndiye azofona Ku hospital kuti ambulance iuye vana
dad vakafonera fire brigade navowo vakasimuka kuuya pa scene. Ndakafona
futi vavapo vachitaura kuti muri kubatsirwa. Totenda Mwari Dillan kuti the
worst happened imi mabatsirwa mabva panzvimbo. Raiva tanker raiva
rakatakura fuel and yakanga yava kuleaker. Hanzi vanhu vaiuya nezvigubhu
vachichingidzira. Soon after mota yenyu yadhonzwa kubviswa ipapo yava
chinhambwe moto wakabva wakatira pakafa vanhu vanosvika 15 vamwe
vakakuvara zvakaipisisa. Mota yenyu yaparara behind yatoendeswa ku
scrap yard asi totenda Mwari kuti you both survived takungonamatira kuti
munyatsopora. Zvinhu zvese zviripo mabag maphone ne laptop yamainini
zvose zviripo."

Akanditambidza phone yangu achiti yakanga yapiwa dad nemunhu


akadaira phone. Kuita kwaMwari kunoshamisa. Aitovawo hake munhu nje
akaputsa hwindo akasangana ne phone ichirira. Dai takaita imwe hour tisina
kuwana help pamwe takatooneka nyika. Asi Mwari vakaita zvinhu ne nzira
yavo. Ini ronda remumusoro chete uye marwadzo emumaside
ekumbandidzirwa ndiko kwaitova kukuvara kwacho otherwise kumwe
kose kwaiva perfect. Ndakanzwira vakoma vangu tsitsi havana kana
kuenda kumba they never left my side. Ndakazodischargiwa ndikaenda
kumba same day iroro. Ndakazotaurawo namai Chichi uye natete vachiti

404 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
tisimbe kunamata. Moyo wakanga wava kunoona mamoyo wangu chete.
Vana tezvara ndakanzwa kuti vakanga vatomhanyawo ku South zuva randa
dischargiwa. Takagara week tichibva tasimukawo na Derrick kutevera ku SA.
Takasvikira Ku hospital se family hatina kumirira visiting hour. Takapinda
makanga muina Shumie ahhh imika ndakati vanhu seyi vachireva nhema.
She was lifeless kani. I couldn't contain myself. KO at least hope yaitaurwa
zvakwakanga kwapera 1 week pangadai paiva neshanduko. Vakazama
kutsanangura ma doctors asi moyo wakanga wava kure.

Ndakazogarako 2 more weeks ndichiswera naye pachipatara sometimes


ndichivatapo.Zuva randakamanikidzwa nanadad kunovata kumba
vakanga vatevera Ku SA ndipo pakafonewa from the hospital na doctor in
charge achiti mudzimai wangu anga achangomuka. Dzaiva kuma 3am.
Vakatozoita zvekunditorera ma key emota kuti ndisabuda time idzodzo.
Takazoenda tose time ye visit doctor vakatanga vambotidana mu office
mavo.

"We thank God for intervening Mrs Mpofu gained consciousness at around 2
in the morning. But sadly she will be wheelchair bound for quiet a long time
if not for the rest of her life. Her spinal code was badly injured and....."

Zvakasara zvopedziswa anga ongoita kunge maungira munzeve dzangu.


Ndakasimuka kuti ndibude asi ndakanzwa dzungu chairo ndikatombogara
pasi zvakare.

"And the other issue that we wanted to discuss with you is that we did some
tests early this morning when she was complaining of dizziness, and found
out she is 3 weeks pregnant so...."

405 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Whaaatt?"

Yakaita chorus chaiyo muroom Mose vanhu vose vakatarisa kwandiri.


Ndakaziva zvavaifunga vose nekuti Derrick chete ndiye aiziva kuti ndakanga
ndanoita week yose ndiinaye ku lodge.

"Yes she is three weeks gone. The main issue is that in her condition it will be
very difficult and risky for her to keep the baby. I discussed with her an hour
ago about terminating the pregnancy at its early stage but she refused so I
think as family you can discuss with her and convince her."

It never rained but it poured. Blow after blow. Ndakati nhai Mwari is there
another hell inodarika yandiri mairi iyi? Is this how everyone pays for their
sins? This was the hardest time of my whole life. Gore randaiti
ndakarwadziwa hapana zvaivapo nekuti within hours ndanga ndapera zano
rose. Ko mukadzi wangu akapareyi hake kuti ozofa ava chirema.
Nemadiro aaivaita Mwari nemoyo wakanaka waaiva nawo Ku munhu wese
kusanganisira vaishuvira rufu rwake? Was this the prize she was getting as
a reward for being good? Zvinonzi never doubt God asi apa
ndakavabvunza kuti muriko here Mwari mwana wenyu achitambura
kudaro.

Takazobudamo mu office ma doctor tapiwa mvumo yekunomuona akanga


atochinjwa abviswa ku ICU ava ku private ward. Ndakaona kumirizika
kwaiita vanhu kuti vose vaitya kunosangana ne misodzi yemukadzi wangu
ndikati ndoenda zvangu mutoro ndewangu. Ndakasvika akagara akavhara
maziso ake akabata bumbu rake nemaoko ake maviri. I figured she was
praying nekuti miromo yake yaifamba. Ndakagara pa chair zvisina noise so

406 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
that I would not disturb her. Akazovhura maziso ake pava paya
ndikanzwa oti

"Daddy!"

akatambanudza maoko ake. Ndakambosticker ndakadaro nekuti


zvandaitarisira handizvo zvandakaona mberi kwangu. Ndaitarisira
kuridzirwa mhere chaiko. Maziso ake akanga akazvimba kuratidza kuti
akanga ambochema kwenguva yakareba asi apa ndakagashirwa ne
nyemwerero yakandisiya ndiine mubvunzo wekuti asi kuti zvandakanga
ndabva kuudzwa na doctor aiva manyepo kanhi? Ndakazoenda paari pava
paya akangovhura maoko ake ndikamumbundira ndakangwarira
kumudzimbira. Ndakatadza kuzvidzora ndakachema ndichirwadziwa kubva
pamoyo pangu.

"I'm sorry Shumie its all my fault. Dai ndakakurega wakaenda wega
sekuronga kwawakanga waita pamwe zvose zvisina kuitika izvi. Why Mwari
vakasarudza kukuisa pakadai at least dai ndirini hangu ndakakuvara
ndaizvigamuchira. Ko iwe mhosva yako ndeyeyi nhai mukadzi wangu
yaungaripira zvinorwadza kudai nhai?"

Akaita sekundipusha kuti ndibve paakanga ari akaramba akandibata


maoko akanditarisa mumaziso chaimo. Not even a tear drop yakabuda
kumeso kwake instead she smiled even more and she was even more
beautiful like never before. Ndakatanga kuzvibvunza kuti aitomborwadziwa
here iyeyu. Anenge akaverenga pfungwa dzangu ndikanzwa oti

407 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"You were expecting to see tears running down my face handiti? Yes I cried
zvikadarika and I expect you to do the same. Hauna kumbondibvunza kuti
ndiri kunzwa seyi, I'm in pain, serious pain asi is crying going to take away
the pain, no. Is crying going to make me walk again, no. Unoti dai uriwe
wakapinda pa situation yangu, saka wakuda kuudzira Mwari zvekuita here?
So in other words uri kuti here dai ndirini ndiri kuchema ne kurwadziwa
zvauri kuita izvi? Wabvunza kuti ini mhosva yangu ndeyeyi kupinda na
nepakadai, ko iwe hako ndeyeyi? God does everything for a reason. Do you
know why He chose to put me in this condition instead of you?"

Ndakadzungudza musoro and she smiled again.

"Because he knew that I am stronger than you and He knew that I will pull
through. I might seem weak on the outside but I'm feeling even stronger
within. I am going to fight and I will walk again one day no matter when. The
doctors have done their part kusvika paperera pfungwa dzavo neruzivo
rwavo rwemumabook but I know the best of all physicians, the one who
made the doctors and gave them the limited knowledge and limited wisdom
they have, the one akarongedza munhu and he knows every limb, every join,
every nerve, every ligament and his knowledge of a human body being goes
far beyond that of a medical practitioner. So the doctors vaita pavo
vakapererwa ivo Mwari vobva vati panoperera pfungwa dzedu isu vanhu
ndipo pavanotangira ivo Mwari. With God nothing is impossible. I will walk
again and see the goodness of the Lord in the land of the living. I trust in Him
alone."

I was buffled. I was dumbfounded. I was tongue tied. I have never seen a
strong woman like her my whole life. Akatora ruoko rwangu akabatisa
padumbu pake rimwe ruoko ruchipukuta misodzi kumeso kwangu.

408 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Instead of shedding tears we should be celebrating our second baby who is
on the way. I'm pregnant and keeping my baby no matter what"

She drew her head closer to me and kissed me with all passion on my lips
ndipo patakanzwa kugadzirisa pahuro kuti pane vapinda.....

409 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 29
Dillan

Rakauya sebhomba chairo kwandiri. Kuita sendatemwa nedombo pahuma


ndakarivara ndisina kuzvitarisira. Ndakazama kutsvaga chekufunga chaicho
ndikachishaya ini.

She was smiling in her pain, asi zvaindiremera kuti mukadzi wangu was
going to be paralyzed for the rest of her life. Changa chisiri chinhu chiri
nyore hama dzangu considering kuti I was only 33 years and she was 23.
How were we going to manage? Zvaitorevaka a complete change in lifestyle?
She was in pain and was she going to get better any soon? How was she
going to manage pamuviri when she was wheelchair bound? Who will be
taking good care of her ndiri kubasa and ndaizozvigona here kuenda kubasa
ndichimusiya kumba. Who would help her ndisipo, kugeza, kupfeka, kuenda
kutoilet?

Yes she had faith that would put a smile on her face even when she was in so
much pain but the truth was inini ndakanga ndisingasviki pa level rake
rekutenda and it was never going to be easy for me. Basa rakanga
richashandika here.? KO pabonde apa how were we going to manage?
Zvotovharana here nhai nekuti papi pacho pandakanga ndichawanikwa
ndakagonyerera pamunhu anzi permanent paralysis? Was this the end of
my marriage?

KO kushingirira kose kwaakanga aita kudzidza ogumira panzira here? All


the hope, all the dreams were shattered.

410 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Maingobvumirwa two people at a time asi makazopinda tete mai Khumalo
na mai Chichi ndivo vaigadzirisa pahuro ndichipiwa kiss ne murwere haaa
zvakaoma hazvo.

"Ummm kumuka nekuvaviwa miromo here mainini. Bva chihandeyi hedu


kumbazve kwakasungunguka."

Ndakanyara ndichisimuka pandakanga ndakagara kuti vagare ivo.


Vakambundirana nemuzukuru wavo apa ndipo paakadonhedza misodzi
panga pauya weropa.

" I know you are a fighter mainini. Dai ari mumwe munhu taiti pamwe
tingapera tariro but with you I know we will testify. You are the strongest
woman I have ever seen."

Vakapindawo vamwe vakavaonawo nekutisimbisa. Doctor Khumalo


vakazopinda pekupedzisira vachitaura zve discharge ko akanga achagarireyi
hake kuchipatara.

"We haven't lost hope mainini I'm still doing enquries kune mamwe ma
specialists across the globe tichazama zvose at whatever the cost, money is
not a problem at all."

411 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Takatenda chose hedu asi ini still tariro yaingovapo kwandiri yakanga
yava pana iye Mwari waShumie ndakanga ndatozemberawo pa faith yake
zvemadoctors izvi ndakanga ndapera moyo nazvo. Kana kwaivako kumwe
they should have just referred us. Takaenda kumba kwa Derrick ndiko
kwaiva nevanhu vose ndikasunda mudzimai wangu kumuisa muguest
room ndimo maaizoshandisa musingazonetsi nema stairs. Kumusimudza
chaiko kuisa pa mubhedha akaita mariro chaiwo, she was in pain.
Ndaizogara naye seyi nhai achirwadziwa kudaro icho chipatara chakanga
chagumirwa?

Handina kana kudzivata musi iwoyo. Iye paakanwa pain block akambovata
kusvika kuma3 am ndipo pa ndakanzwa achibvisa ruoko rwangu rwanga
rwakamubata zvinyoronyoro ndinoona aifunga kuti ndakavata. It took her
more than 20 minutes kuti amuke agare. Ndakarwadziwa ndikamuka
ndichida kunzwa kuti aidei.

"Ahhh wamukireyi hun ndoda kuzama kuenda ku loo."

"Chaunoda unondiudza mai Fadzi you know kuti haukwanisi. I'm here to
help you"

"OK sorry."

"No need to be sorry ndanga ndichingotaura kuitira next time."

Haana zvaakazombotaura akabva atonyarara hake and I felt bad.

412 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakamubatsira kuenda kutoilet nekudzoka. Handina kuzovata ndakabva
ndanoisa mvura yekugeza ndikageza ndokuzomubatsirawo kunogeza. Mai
Chichi vakativigira cereal ndikabuda neplate yangu kuenda kune vamwe
vakasara vari vaviri. Takazobudawo later kuma 10 tichinokwidza vana dad
vaidzokera ku Zimbabwe. Vana mama vaifanirawo kuuya paisvika vana
dad kuZimbabwe asi ndakati vambomira nekuti pandakataura zvekuti
ndaida kumbonoona kuti zvakamira seyi kubusiness ne kumba mai Fadzi
akabva ati anoda kuendawo kumba kwake haangasari. Takasvika kuhotel
kwedu kwaingofamba zvakanaka asi mutoro wese waiva pamusoro pa
Derrick gore rose ranga riri mai Fadzi Ku attachment. Ndakabatikana
ndasvikako ndichifunga ma plans ose atakanga taita nemukadzi wangu
zvekuti tanga tatarisa kuti pasara gore in fact 8 months anenge akutoita
project yake otonyora final exams then graduation. Ndakafunga new
systems that we had discussed tichida kuzoita implement has ndakabva
ndati Derrick adzokere neni kumba. Nguva yose vana vanga vari kumba kwa
tete mai Khumalo asi pandakasvika ndakatambirwa nekavoice ka Fadzi
mu guestroom she was giggling kuratidza kuti aifara nezvaaiudzwa namama
vake. Ndakamira pa door ndikateerera she was telling her a story about a
princess and the lion. Zviso zvavo vose zvakanga zvakapenya kuratidza
mufaro. Ndakatoona kuti Fadzi aiunza mufaro maari pane zvatakanga
taita kubvisa mwana tichiti anoshungurudzika. Ndakamhanyirwa
ndichiudzwa kuti ndiye aizenge achisunda mama muwheelchair nekuti
vakanga vamuudza kuti she can not walk anymore.

" Mommy come and sit in your chair I want to show daddy that I can push
you around. I will take you to town, to church, to the shops anywhere."

Serious yakanga yakaitwa nekamunhu kacho kani mama vacho vachifa


nekuseka and tears started building up in my eyes ndakapinda mutoilet and
cried.

Takazombogara imwe week takamirira Daphne nemukwasha vakanga vati

413 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
vari kuuya asi nekuda kwenguva yaiva shoma vaizongogumira my south
Africa vakanga vasingasviki kumba. Vakasvika navowo vakati vaizoronga
kuti Shumie amboenda kuCanada vambonozama zvimwe. Vanhu vose
vakarwadziwa asi ava vaviri vakanyanya kubatikana. Iye Shumie wacho
vaitoda kubva vaenda naye asi akati aida kumboenda kumba kwake.
Zvakanga zvisingaiti futi kuti ndimurambidze. Takaita zve private jet yababa
Chichi tikawana takamirirwa pa airport kuByo nana mai Mhofu vose vari
vaviri. Takananga kumba kwedu chaiko kuGweru east. Takawana mumba
muine order and sparkling clean. Nyasha na mama vake vakanga
vanocleaner pavakanzwa kuti tiri kuuya. Takawana vachiripo pamba
patakasvika.

After graduation Lisa akabva vatopinda basa kuMASO vakapiwa nezi HILUX
rebasa raaifamba naro. Zvinoita Mwari veduwee. Kaimbova
kamushayanyama vakanga vatokukumuka kunyangwe neganda rakanga
ramenyukira. Akangogara mazuva mashoma ku South view paakanga
achangodzoka kujeri. Kupera kwa April ndipo pa akabva apiwa mota
neimba yebasa ku /mkoba 12 just close to her workplace. Gore ranga
rakutokwana achishandira MASO and apa vanga vatovhara for the festive
season kubasa vaizoenda muna January after New year. Kureva kuti akanga
achine dzimwe 3 weeks asingaendi kubasa. She offered kuti aizobatsira
pamba pa mazuva aainge asingaendi kubasa and to take care of my wife.
She was a changed person and mhuri yose yakatenda.

"Hopefully I'm going to be of help pa mazuva andichava pano nemi.


Ndinonamata kuti mugone kuzowana mumwe Ari right ane moyo murefu
kuitira pandichaenda. Dai zvisiri zvekuti ndine humwe hurongwa ndanga
ndisina dambudziko hangu ku batsira kusvika Mava comfortable. "

Takatenda zvikuru and zveshuwa kuvapo kwake kwakabatsira. Kubasa


ndakanga ndava kuenda ndakasununguka and honestly basa rakanga
radzokera shure zvakanyanya. Ku carsale kwakanga kwasara mota shoma
shoma chaidzo. Kutotenda Mwari kuti management kwese zvako yakanga
yakatendeka asi zvakadaro pakava nekudzikira kukuru.

414 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Saka basa rakanga rakawandisa pane zvakawanda zvaida kumisikidzwa gore
richinopera kuitira kuti panonotanga gore tinge takarongeka. Ndipo
pandakademba presence yaShumie she would chip in with ideas be it ku
carsale, ku lodge, kuoffice I missed her input. Rubatsiro rwa Lisa
rwakatiyamura chose tichitsvagawo home nurse aizoita take over. Yaiva idea
ya Lisa kuti kutsvaga munhu akazvipira pabasa racho zvaiita nyore nekuti it
was no longer than just an ordinary job. Shumie akanga ava kuitirwa zvose
kubva kugezezeswa, kuendeswa kutoilet, everything. Haisi nyoreka
kuendesa munhu kutoilet wonomumirira achiita mabasa ake munhu mukuru
wobuda naye waona kuti ashambidzika. Asi Lisa na Jane vaiita without
complaining. Hama dzakamira nesu chose vaiuya vachibatsirawo pano
neapo uye Jane aivapo she was of great help. Vataiwana ma professional acho
vaiti vakangosvika vakaona situation votoenda zvachose despite Mari zhinji
yataiva offer.

Lisa ndakazonzwa na Shumie kuti kusimba akanga akazvitakura and akanga


ava kuzonogara nemurume wake waakanga asangana naye kune imwe
workshop Ku South Africa vakadanana panga pava nemwedzi yakati kuti.
Akanga akashaikirwawo nemukadzi wake nechirwere and he was south
African, saka Lisa akanga orega basa ava kuzonogara ku South Africa. Saka
nguva yose nayewo aiva mushishi kutsvaga hama dzake akazowanawo kuti
biological father vake vaitova vapenyu vaasina kumboudzwa nezvavo
and vaisambova kure vakanga vaine musha kwa Chiundura vakanga
vakawanawo umwe mukadzi. Saka pa New year aiuyawo nehama dzake
kuzoroora. Nyasha aisara hake na gogo vake.

Christmas mhuri yose yakanga yakaungana pamba pedu and instead of


enjoying ndaimbopinda mu bedroom mangu ndonochema kuti munhu wese
was fit and enjoying while my wife was restricted in a wheelchair. How could
I enjoy while my wife was in pain. Aishinga hake semunhu akanga avingwa
nevanhu pamba pake. Aizikanwa Shumie kuti pakaita kuungana kwakadai
ndiye aimira and she was all over the place doing what she knows best and I
would be proud of her. This one in a wheelchair was not my Shumie that I
knew.

Pane pandakazomunzwira tsitsi kuma 3 pm ndakunyatsoona kuti


haachagona manje kugara kwakumurwadza asika zvaiita here kuti asiye
vanhu vamuunganira achinovata. Ndakapedzisira ndati hameno chero
zvazvaita ndikavaudza vanhu kuti "let's call it a day mudzimai wangu aneta."

415 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Akaratidza kunyara Shumie asi that was the right thing to do. Ndizvo
zvaaiva Shumie kuti she would sacrifice her own happiness kuti vamwe
vafare. Vakanzwisisa vanhu yakapinda mudzimotikari dzavo asi ndakanzwa
bundu pamoyo kuti kusvika riini. Pandakasvika pamota paiva nanadad
vangu hameno zvavaitaura they hugged me tight and told me all shall be well.
Ndakaonawo tears building in their eyes.

Mazuva akafamba Lisa akadzimara akaoneka ava kunoita zvekuwanikwa


nekuti akabva atozodarika nemurume wake achioneka. Akakumbira Nyasha
vakamboenda naye kwe two weeks dzanga dzasara vakazomukwidza ndege
pa kudzoka akanotambirwa ku airport namai Ree. Jane akaendawo kwaiitwa
recruitment yemasoja akanomhanya akabudirira akaenda ku training. Mama
Agah vakatombosuggester kuti Shumie aende kumba kwavo asi ndakaona
kuti tinenge tavapa musengwa chaiwo plus zvaizoita sekuti ndamuramwa.
Kuti ndichiita zve followup kuna Chris na Daphne vakanga vati vachazama
kumutora zvakarema kunyarara kwavo zvaireva kuti vakanga vasina
kuwana kwaangabatsirwa. Takagara almost 2 weeks zvakare ndichiita zvose
kuvata ndichimushandura husiku, kuendesa kutoilet, kusiya
ndamugezesa kuseni ndomupa chikafu ndomhanya kubasa ndichipota
ndichimbodzoka haaa it wasn't easy. Vana mama vaipota
vachimbochinjanawo kuuya vachibatsira asi zvakanga zvakaoma. Rimwe
zuva ndakadzoka ndikawana mvura yazara pasi mubedroom yakanga
yavhurirwa mutub ndokuzara ikayerera kuzara room yose kusvika
yakubuda nepasi pedoor. Ndakasangana nayo mu corridor ichiyerera nepasi
pedoor. Kunopinda kudayi waneyi hamuna chakanaka iye wacho angoti
rabada mumvura imomo akashama nhumbi dzake dziri mutub. She had
messed herself saka anga akuda kuyedza kugadzirisa.

"Chiiko nhai mai Fadzi ko ukakuvara nhai? You know kuti haugoni kufamba
saka wanga uchida kuzama kudii nhai?"

416 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakanzwa hasha kwete dzekuti azviitira asi kuti akapotsa azvikuvadzisa ko
dai akangofona it was just 10 minutes kubva mutown kusvika pamba.
Akangoti"sorry baba Fadzi" akabva anyarara. Ndakagadzirisa mess yose
ndikamugezesa ndokuzowacha masheets ndikabuda ndichinonika panze.
Ndakasangana namai Tino tikangomhorosana vakaenda Ku cottage kwavo.
Zuva rakanga ratovira ndikabuda asi Shumie akaramba kudya akangomwa
juice shomanana. Kuseni ndizvozvo futi.

"Wakundiomesera mai Fadzi saka kusadya unoda kuti ndiite seyi?"

Ndakabatikana vachitaura kuti she was avoiding kuizoenda kutoilet.

Ndakabuda ndikadzoka pa lunch ndikawana mumba muri sparkling clean all


rooms kusvika mubedroom. Ndakashamisika ndichiudzwa kuti mai Tino
nemuningina wavo ndivo vakanga vaita. Ndakaenda ndikanovatenda asi
vakaramba kubhadharwa vakati vakanga vangobatsira. Iye Shumie she was
not comfortable hake kubatsirwa na mai Tino akanyatsodudza kuti
aisasunungurwa ne presence yavo but she had no choice. Doctor vakanga vati
kana marwadzo akaita nani aifanira kutanga physiotherapy saka panga
pakuzoda anopotazve achienda naye daily kana kutsvaga anozomuitisa ma
exercises acho kumba.

Zvanga zvisina kuchipa ndikafunga pandakataura kuti dai ndirini ndaiva


musituation iyoyo zvaiva nani nekuda kwechikonzero chaakataura iye kuti
she was stronger than me. Icho chaakanga ataura ndicho chaiva chokwadi.
It was not easy asi ndaifunga kuti dai ndirini ndaiva musituation yake
aizondirasira ani. Zvakaoma kusimudza munhu, kunomugezesa kupfekedza
uye kana pachemba chaipo anenge achingogomera nemarwadzo. Kubasa
chaiko I could no longer concentrate ini mamistakes hobho ndakaona kuti
zvaiva nani ndimbomira ndopota ndichingoti pandinenge ndainzwa ndiri
nani ndonodongorera. Lecturer vake nevamwe ma college mates ake vaiuya
vachimuona. January, February, March akunopera ndakashamisika achinditi
anoda kuperekedzwa kunonyora ma exams. Akanga asisanyanyi kuchema
hake nepain asi akanga asati ofamba. Izvo ndakanga ndatopera tariro nazvo

417 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
zvekuti achafamba. Ndakatoshamisika kuti aiva nema soft copy aaitumirwa
na lecturer wake achiverenga ini kana kuzvinoticer. Nhamo yakazova ipapa
pakuti aifanira kunonyora. Ndakaenda naye three days dzose kusvika apedza
but ma movements iwayo nekugara nguva yakareba zvakamutsa imwe pain
yakatyisa. Ndakaenda naye kwa chiremba vakangonyora mishonga
yatakatenga isina zvayakabatsira. Ndakaita 3 sleepless nights kusvika
ndaudza vana mama vakauyawo kuzongoona asi pakanga pasina chavaigona
kuita. Daphne nemukwasha ndipo pavakazotaura vaiuya August
kuzombomutora vambozamawo.

Nhumbu yakanga yava kuoneka manje asi iyo yakanga isina kana
dambudziko. Maresults akabuda and akanga akapasa though akanga asiri ma
distinction ataimuziva nawo. Ini chakanga chondiuraya i nyama dzakanga
dzamboshinga asi zvakanga zvorema. Poga poga pandaimugezesa ndaipedza
ndatambura ndozongoshinga.

Pavakaziva kuti haana kumira chikoro despite her condition mukwasha


akazodecider kuti akasire kuenda kuitira kuti zvisazomuvhiringa pa final
yake. Vakazofona vachiti vanouya after a week apa takanga tava muna
May. Mai Tino vakanga vasisanyanyi kuuya asi muningina wavo ndiye
aingouya achibatsira pose kucleana kubika uye kuwacha just for free.

Vakauya pakati paMay vana Daphne vachiti vaizodzoka naye kupera


kwaJuly kuitira kunyora ma exams. A day before paizosimuka vana Shumie
kuCanada muningina wamai Tino haana kuenda kumba kwavo
immediately after apedza basa akagara achiona TV ndikangoona pasina
problem. Ndakangomuti kana ava kubuda ataure ndigoona kuti madoor
akiiwa. Ndakanogezesa Shumie as usual and this time zemo rakauya riri
moto chaiwo. Ndakaona kuti ndikaramba ndirimo ndinomubata chete.
Ndakamupfekedza mapyjama ake ndakaona akatarisa pamberi pangu
pakanga paita churu. Ndakabuda ndichida kumbofurwa nemhepo
ndozodzoka zvangu avata. Ndichinopinda mulounge ndakasangana ne shura
chairo. Sisi kukumura nhumbi dzose kusara ne pant ne bra chete. Ndichiri
mushock imomo akasimuka akauya pandakanga ndiri akasvika achibata
pahasha chaipo panga pagara pakatogumbuka kare.

"Ndongoda kukubatsirai chete. No strings attached."

418 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Apa aitaura achitopuruzira kana simba rekumurambidza ndakarishaya.
Randakawana nderekumusundira mu guest room ndikavhara door
negumbo. Zve kiss yaakanga ondipa ndakanga ndisina kana basa nayo
hapana kana chandainzwa ini ndaingoda just to relieve myself. Nenguva
isipi ndanga ndava musvo chaiwo. Ndakaita wekutsindikira nekuti
ndaisatomboda kuona expression yepaface lake, ndikamubata kabhurugwa
kaingova tambo ndikadamburira kure. Ndisina kana chandakaita I suddenly
came back to my senses and I screamed on top of my voice

"Noooo! noo! nooo!. This is not right. Noo !!!. I can never cheat on my wife.
Over my dead body. Never!! Out of my house now. Not just my house, out of
my yard. Out!!!!"

Akaratidza kutya chaiko akangononga phone yake yaiva pa dressing table


akarova bara achibuda. Ndakatevera ndiri musvi kudaro ndikamukandira
tushinda twakwe twaakanga asiya. Nhumbi akabuda akabatira mumaoko.
Ndikavhara door ndikaritesta rutatu kuti shuwa ra locka here.
Ndikambozendama pariri ndokuzorapuka ndava kunosimira muguest room.
Havi yose yakanga yapera kuti hwaaa. Kunodayi waneyi zvimapijama
zviya zvakanga zvakandwa zvikanowira mubucket raivamo raiva rakazara
mvura ndikaona kuti akaita maune. Ndakapererwa ko handiti ndakanga
ndakaita Adam waEva chaiye chaiye vasati vasimira mashizha. Ndikafunga
fast ndikanotora tauro hombe mu bathroom ndikamonera. Ndakabuda
paya ndichiti ndinokwidza ma stairs wane mavhiri e wheelchair ari
paedge chaipo nechekumusoro kwaitangira mastairs zvekuti any slight
mistake that was gonna be the end of her. Was she going to end herself like
that? Ndakazvitarisa ndakamonera tauro remuguest room kudaro
ndikafunga kuti achazvinzwisisa here kuti hapana zvandaitta. Ndichiri
kufunga kudaro ndakaona Shumie akangosunda wheelchair yake aka.....

419 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Azviwisa here Shumie?

Kana asina kufa will she understand kuti hapana chakaitika muguest room
makabuda vanhu vasina kusimira?

Achatenda here kuti hazvina kumboitika before?

420 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
CHAPTER 30
Dillan

Ndakaona munhu angotenderedza wheelchair yake ndokudzokera


mubedroom. Ndakasara ndakangoti tuzu ipapo ndichishaya kuti ndoenda
ndonoti kudii? Ndonoti ndanosiya ma pyjama mu guests room here
ndikadzoka ndakamonera tauro? And how was l going to explain benzi
rakabuda riri musvi iro. And this time ndakanga ndichataura kuti kudii
kuvanhu nhai ndakamboramba ye lipstick neface powder. Mukadzi wangu
ndainyatsonzwa kuti ndinomuda zvisinei nekuremara kwaakanga akaita.
Asi ndakafungisisa ipapo the last time yandakaudza Shumie ne muromo
wangu kuti "I love you" it was before the accident kunyangwe zvazvo ma
actions airatidza kuti ndinomuda. Saka kurevaka kuti bonde

roga ndiro raiita kuti ndidudze kuti I love you. Nekuti 6 months
dzatakagara pasina bonde rudo pakanga pasina here?

I had vowed that I will love her unconditionally musi wemuchato wedu and
even before. I vowed to be by her side in sickness and in health. I felt ipapo
kuti I had to confess my love for her ipapo but zvanga zvichataurika here
after drama ranga rabva kuitika? Change chonetsa ndakanga ndisina
chokwadi kuti zvii zvaaona kana kunzwa. Pamwe ndaingozvidya moyo ivo
vakazosvika firimu richinyora kuti THE END.

Ndakafamba ndikasvika padoor ndikamboisa nzeve yangu ndakateerera


kuti pamwe ndichanzwa munhu achisvimha asi makanga muine runyararo
rwaitotyisa. Ndakavhura door zvinyoronyoro ndikasvika akagara
muwheelchair make asi akanga akurura nhumbi dzose zvadzo kusara asina
kana chaanacho kana chituku. Kwakanga kuine kachando saka ndakasvika
ndikamubatsira kukwira pamubhedha ndichibva ndada kutora ma PJs ake
kuti ndimupfekedze ndikanzwa ndabatwa ruoko.

421 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Shumie, its not what you think. Please I ......"

"Dillan"

"Mhaa"

Kkkk haya ko kwaiva kudaira kwemunhu avhundukaka. Ndakanga


ndakutogaya zve kupindura ipapo. Ndakagara pamubhedha padivi pake
iye zii zvake akandiyeva kudaro. Ndakabatwa nepfungwa yekungogara
ndazvirevera hangu kuti chero vanhu vakazozvinzwa ndinenge ndavaudza
kare ne muromo wangu. Ndakabata phone ndichida kufonera dad kuti ndiri
kuuya kumba kwavo. Apa ndaireva dad vekuLundi Park ndivo
zvandakanga ndakajaira zvakanyanya. Yakangorira kamwechete ndichibva
ndaibvutirwa ikakatwa. Ivowo vakabva vangofona ipapo akadaira Shumie
yaiva yakaitwa speaker on.

"Hello baba. Sorii ndabaya nemistake"

"Ahhh ndati pamwe mafona musina airtime ndikati regayi ndifone."

422 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Vakabvunzana utano paya ndokuzokata phone akaiisa kure chaiko.
Kekutanga kubva pa ndakaziva Shumie kunzwa achirevera dad vangu
nhema. Wakazouya mubvunzo wandanga ndisina kutarisira.

"Uchiri kundida here baba Fadzi?"

"Ndinokudisisa mukadzi wangu asi....."

"Make love to me"

"What???"

Akaramba akandiyeva nemaziso ekuti wazvinzwa zvandataura and aiva


nekurevesa. Marovero akaita hana yangu ndakanzwa kupera simba
mumajoin. Haaa imika ndakanyatsomutarisa kubva kumusoro kudzoka
naye kusvika kuzvigunwe zvekutsoka chaiko. Ndigototi karamata pamunhu
anorwara zvekusagona kufamba here nhai?

"Zvaita seyi nhai Shumie you know very well kuti its not possible.
Handingaiti utsinye hwakadaro."

423 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"And what's possible Dillan? Kuvharirana neumwe mukadzi under the same
roof as I am ndiho hungatoita utsinye Dillan. Imbozviisa mushangu dzangu
and imagine me naked with another man in the next room. Kana chikonzero
chiri chekuti haukwanisi nekuti ndiri chirema asi iwe hako uchindida I
can sacrifice."

"No Shu...."

"(Achinditambidza phone) Then call my parents uvaidze kuti uri


kundidzosa mangwana chaiye."

"Shumie please....."

"Dillan, my husband, its either you give me love or you make a phone call,
simple"

Ndakapererwa veduwee ndikangoisa phone pasi ndikapukuta misodzi


yakanga yoerera kumeso kwake. Ndakabata dumbu rake rakanga ratokura
at 6 months that's when I realized kuti haana Ku check up kwaakamboenda
kana kunyoresa zvako. Apa anga achimuka achienda kuCanada.

The moment yandakabata pakaita movement padumbu pake yaiita Ku


vibrater chaiko zvekuti akatombovhara maziso akasunga kumeso.
Ndakashamisika achiti it was the first time mwana achiita movement. Pasix

424 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
months here akanga anonokesa. Pane aizombofunga here zvekikika
kwemwana nemamiriro anga akaita zvinhu. Pana Fadzi I would ask
everyday kuti mwana Ari seyi, talk to her ari mudumbu asi apa chokwadi
kana kumboita zvese izvozvo. Kwete nekuti ndakanga ndisina hanya asi
pressure chaiyo.

"Saka uchaita seyi manje nenyaya yekunonyoresa iwe uchienda


mangwana.?

" Ndononyoresa mangwana handichaendi kuCanada."

"Ko zvadii nhai matickets akatengwa kare? "

"Handichaendi."

Ndiyo mhinduro yandakapiwa just like that. And she insisted kuti I make
love to her or ndomudzosera kumba kwavo. I was left with no choice but to
do it nekuti of the two options yekumudzosera yakanga isingaiti manje.
Ndakanzwa ruoko rwasenerera pasi petauro randakanga ndakamonera.
Ndakambotana here kurumwa nemajuru. Ndakanoisa ruoko pazvakarehwa
anga ati nyakata zvake. Kureva kuti nayewo aiva panzara asi asina chaaigona
kuita.

Ndakaita kupedza achingogomera kwawaitonzwa kuti hakusi kwemunhu


akanga achinakirwa asi kuti kurwadziwa chaiko and hapana pa ndakanzwa
kuteurirwa muto kuti asvika chaipo. Kwaingovawo kuita semunhu

425 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
akanga aiswa mukona asi moyo wangu waidzimba. Ndakamupukuta
ndikazvipukutawo ndikanzwa oti

"Zvaitika earlier should remain within these walls hapana mumwe azviona
kunze kwangu. Its our own secret."

Ndakashamisika ini ndakanga ndakatarisira kuti akanga achandirevera


kumadzikoma angu kuti ndaita chipfambi asi ototi I secret yedu. Chimwe
chakandinetsa haana kumbotaura zvekuti ngatishandise dziviriro
kunyangwe akanga aona ndiine mumwe munhukadzi takashama. Haana
kumboda kunzwa any explanation kubva kwandiri.

Ndakanzwa Daphne ofona kuma 5am achiti maiguru vati havachaendi


nemhaka yeyi ndikangomuudza kuti neniwo handina mhinduro yacho.
Vakauyawo vose nemukwasha asi akarambisisa akangovati she needed to
be with her husband. Yakataurwa pa group refamily and no one was able to
convince her. Mukwasha ndiye akazopedzisira ati vava kuhire a specialist
physiotherapist from Canada auye kuzoita live in. Vakadzoka nemhinduro pa
group in less than an hour achitaura kuti akanga amuwana who was flying
in in the next 2 days. Mari dzacho dzaitaurwa ipapo dzaiva refu asi akati
money was not important kudarika utano.

"Chiri kuita kuti tive ne hope kudzikira kwakaita marwadzo kureva kuti
physio inogona kubatsira. Kuzama zvose nekuti mazuva avo ekupona ari
kuswedera saka kana vakadayi hapana imwe nzira kunze kwe operation.
Which is very risky zvakare."

426 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Zvakanga zvodhura manje to hire a specialist from abroad nekuti ivo pa
hospital pavo vakanga vasina kunyangwe zvavo vakanga vatenga equipment
yacho vakatumira variko Ku Canada. Dad wo nekuda muroora wavo ndivo
vakazonyararidza vanhu vakanga varatidza kubatikana nekuramba
kwaShumie kuenda ku Canada.

"Moti pane angangoramba pasina chikonzero here. Kana muchiti


zvadhura kubatsirwa ari paari comfortable I will meet the expense myself."

Hapana akazombopikisa. Akauya specialist kubva kuCanada aigara pa


hospital pamba yaimbova ya Celine. Vana mama vaichinjana vose na Celine
kuenda naye Ku hospital. Pandainge ndisinawo kubatikana ndaienda naye.
Progress yacho yaisambonyanya kuoneka asi ndaitoshamisika doctor achiti
she was responding. Aiti haafaniri kunyanya kupiwa pressure zvakare
nekuda kwecondition yake. Anga akurirwa zvakanyanya asi aishinga nekuti
August ndiyo yaaibatsirwa. Changa chichiratidza improvement marwadzo
akanga asisanyanyi uye akangawo ava kugona kuzvishandukira oga kana
kugezawo ega kana ndamubatsira kupinda mutub. Rimwe zuva
ndakazomubvunza chikonzero chake chekuramba help yai offewa nevanhu.

"Probability yekuti ndichagona kuramba zvakare according to the doctors is


very slim. KO dzikava dzimwe 40 years vacharamba caching on donate or a
here. Its good kuti ndingojaira zviripo and pain yava shoma mumuviri
mangu ndichadzidza kuzviitira wo zvimwe and life goes on. People love
me zvakanyanya handidi kuti vazosvika pavanobhowekana neni. I think pa
kuramba kuenda kudzimba dzevanhu ndapindura zvizere. Kuenda
kuCanada chikonzero chaicho chinozikanwa nesu tiri vaviri
chandakaregerera. I want to be close to my husband. "

427 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Chero neni ndakazviziva kuti nyaya yakaitika a day before her departure
ndiyo yakakonzeresa kuti aite sudden change of mind kunyangwe pasina
pamwe patakazoita hedu sex chaiyo. Pakanopera June akanga ava kugona
kufamba ne walking aid uye kubatira kumadziro achienda kutoilet kana
kunogeza. Problem yaiva pamakumbo ake akanga asina simba aibvunda.
Apa akanga ava kuchema manje kuti dumbu rava kumuremera. Mai Chichi
vakati vaizouyawo towards madays ake ekupona kuti vagovapo naye. Vana
mama vaiuyawo vachizomboswera naye. Mai Tino nemuningina wavo
vakanga vasisipo vakaita fight vakasiya vakutsirana murume vakamusiira
mwana. Zvakaitika soon after drama remuna May havana
kuzomboonekerazve.

Musi wakatanga Shumie kunyora ma exams ake esecond semester muna July
akaperekedzwa na mai Rihannah kunonyora ini ndakanga ndiine meeting
ku the Village Lodge yakatora zuva rose. Patakaita lunch break ndakaita
phone yangu on ndikatambirwa ne msg yaiva kuna Shumie. Yaiva video
clip. Ndakambozeza kuivhura ndikazoita zvivindi. Anga azvitora ari
mukitchen achibika pa stove. Aifamba hake ne walking aid asi Celine
aivapo achimubatsira mekumusvitsa zvekushandisa. Ndakadonhedza
misodzi chaiko ndichiona shungu dzaaiva nadzo. Pasi paiva ne msg
yakanga yakanzi

"When last did you eat your wife's recipe?"

It was over 1½ years now. Ndakazomufonera soon after workshop kuma 3


ndava kuenda ku office. Ndakaita video call akadaira ari mutub achigeza.
Aiti Celine akanga adzokera hake kumba kwavo aizodzoka omutorazve the
following day ava kuzomuperekedza kunonyora futi imwe exam.

428 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"I have prepared chikafu chemurume wangu chedumbu now ndakugadzirira
chimwe chacho. munosvika nguvai muwane chiri fresh."

Ndakanga ndakagara mumota pa parking Ku lodge ndava kuda kuto


buda kuti ndidarike nekuoffice ndizoenda kumba. Ndaitoda kunotanga
nechimwe chacho chekupedzisira icho chedumbu chozotevera. Nyama
dzakanga dzatoipirwa imagining hangu zvaiva pasi pemvura mutub imomo.
Ndakatombovhura zip ndikaburitsa blaz vakanga vagumbuka kuti
vamborohwa nemhepo ndichivavimbisa mutakunanzwa waigadzirwa na
mama. Ndakadarika nekuoffice ndikatora zvandaida mu office mangu.
Ndava kuda kubuda I noticed develop yekhakhi yaiva pa desk. Ndakamboda
kuti PA wangu agovhura aone kuti muneyi ozondiudza asi mumwe moyo
wakandiranbira. Ndakaivhura ndikawana muine flush raivamo. Maiva
nekanote kakanga kakapetwa. Kwakanga kasina kumbonyorwa zvakawanda
kakanga kakangonzi

"Let's meet titaure or else this video will go viral. You have up to 5pm today."

Pakaiswa phone number pazasi. Ndakaisa pa laptop ndikaona haiwaa


mashura chaiwo. A nicely edited video yangu nemuningina wamai Tino.
Zvose kubva kumadziro eroom yataiva kusvika kubed linen was edited
muchibva mawedzererwa chest of drawer. Chokwadi computer
inokugadzirira zvimwe. Vaiva chaivo tisu tiri vaviri and tichionekwa nhengo
dzose sezvadziri. Pekupedzisira patakadzingirirana hapana kuiswa instead
paiva nemazita edu aibudapo nekuadvertiser kuti anyone anoda service yedu
aizotiwana we were readily available. Chaingobudapo masounds evanhu
vaiita bonde vachichemerera vachitaura zvinyadzi zvose zvinowanikwa pasi
pezuva. Obvious it was edited nekuti isu hatina kusvika kose ikoko.
Ndakapererwa kushaya zano chaiko. Ndakabata gotsi nemaoko ose
ndikapotsa ndaridza mhere. Vaida chii chaizvo kwandiri vanhu ava nhai?

429 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakavati wani ndobhadhara kushanda kwavaiita vakarambisisa. Obvious
they were after money ko kungokumbira mune zvakanaka. Iro video vaiita
sekuti rakatorerwa mu hotel iroro this time ndaiti kudii kuhama dzangu.
Worse ku mukadzi wangu. What will the world say. My families reputation.
Ndakakiya door remu office ndiri mukati ndikavhomora key ndikagara
ndikachema chaiko. Ndakambobata phone ndikashaya kuti wandingafonera
ndiyani ndakaona kuti vose zvavo zvakanga zvisingabudi. Ndakazofona
number yaiva pazasi ipapo ndikapiwa house number yerimwe plot kumberi
kweMtapa. Ndakapiwa time time ye kusvika ye kusvika ndakanzi ndasvika
na 8 manheru. Ndakanzi ndinosvika ndichipinda mu corridor ndoenda kulast
door to my right ndovhura. Kuti tigotanga kutaura ndaifanira kusvika
ndakabata $1000. Ndakanga ndazviona hangu kuti kuita kwacho
mdekwekuda Mari. KO vakadii kungotaura havo pane kuramba ne upenyu
hwangu kudaro. Ndakavhura mu safe ndikafndikatora $1000 ndikabuda
Handina kumirira 8pm ini handiti address ndaiva nayo. Dzakanga dzava
kuma 6 zuva rovira. Ndakasiya mota nechekure sekutaura kwaakaita kuti
ndisasvika nemota.

"No funny tricks because its just one press and the whole world enjoys a free
movie.

Ndakasvika pamba pacho ndokupinda mukati. Zimba racho rakanga


rakangoita zijaradha asi pairatidza kunge pasingagari vanhu nekunyangara
kwacho kubva panze chaipo. Maiva nerima uye marooms mazhinji
andakadarika nepaari mamwe akanga asina madoor. Ndakadarika pane
rimwe door maichapurwa chapurwa mvura kuratidza kuti mu bathroom
ndakanzwa nesipo yesona yainhuwa imomo. Ndakanzwa mavoice maviri
rechirume nerechikadzi aitaura imomo ramai Tino ndikabva ndariziva.

" Ingokotama ipapa ndiite kani vanopedza nguvai avo kotama kani."

430 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Zvavakadaira mai Tino handina kana kuzvinzwa.

Ndakadarika ndakasvika padoor ndikavhura sekuudzwa kwandakaita.


Ndichingopinda kudai vanhu vakajamba kubva pamubhedha muningina
wamai Tino akazvuva chijira chimutabvunda chaiva pamubhedha
akanozviunganidza mukoma. Uya mukomana akajambawo hameno
chaakatora pa stool yaivamo yakanga is in a rimwe gumbo ndikadirwa
mumaziso. Ndakayuwira ndichitsokota maziso ndichiyedza kusvinura.
Ndakatanga ndichiona madzengerere pedzisire rava rima dema chairo.

"Chii chaitika nhai Melo nhai we ndasanga nemunhu /wako ari bara apa."

"Ahhh adira baba Fadzi powder iya yetsikidzi akatiza maybe afunga kuti
murume wangu."

Powder yacho was deadly nekuti zvakanga zvoita maziso angu anga orema
aching icho guru ka misodzi. Ndakaona kuti ndini ndakabhaiza ivo kuti
ndiite na 8 vaiziva kuti zvikomba zvinenge zvaenda. Kuda akafunga kuti
tadhumaniswa. Ndakangoti kuda zvichaita nani asi manje kutsikota
kwandaiita zvaitoita worse.

Ndakasechwa muhomwe maiva nemari ikatorwa.

"Wallet unoidii dzosera. Handeyi hameno kuti achaita seyi ava chipofu kudai.
Ngatichimupayi up to mangwana kuseni tozomutarisa. Anoendepi akadai

431 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
murima. Ndiko kuti vanhu vadzidze kuti vamwe vanhu havashainirwi.
Kungoonerera muviri wemwana wamai vangu wodzingira mustreet
motafisira kuti zvinoenda zvega."

"Handina zvandakaita naye ini haana kukuudzai here kuti handina kana
kumubata. Taurayi zvamuri kuda kwandiri musasvibisa zita rangu. Name
your price"

"Kubata kwataiita madhodhi emukadzi wenyu tichiti tiri kubatsira asi


motidzingira mu street, mukaita 1 million munenge magona to distroyer
video"

1 million vaiiziva mushe here vanhu Ava. Kungoti ndakanga ndaita


unyama wekuvharika maziso otherwise ndaiona kungopedza navo pasina
mumwe azviziva. Chibharanzi chakanga chakawandisa pa dhiri ravo iri
vaida kuzama zvavaimboona muna movie kuda. Kuda kuita ma millionaire
overnight shuwa. Manje ndakanga ndava kutya kuti musi disused house
tandakasiiwa iroro husiku zvimwe zvaipindamo zvii nhai besides ivo.
Chero nyoka imomo dzaiwanikwa chete nekuti pandakasvikapo yard
yaingova nekanzira kaibva ku gate chete kakananga pa door. Hapana kana
room yaiva nelight kunze kwete candle randakanga ndaona rakabatidzwa
mandakapinda. Ndakatsvanzvadzira ndikatsva zvigunwe ndichibva
ndaribata mumaoko kuti risazopisa zvinhu. The only safe place paitova
pamusoro pechimubhedha chaivamo nekuti chero pasi pacho paigona
kubuda zvirumha. Ndakatsvanzvadzira ndikakwira pamusoro pacho
ndokugara ndichifunga kuti ndodii. Zvinoita Mwari so phone yangu yakabva
yarira. Vakanga vasina kuitora. Ndakaita fembera fembera ndikatsvaira
ndokudaira.

432 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
"Hallo daddy ko mosvika nguvai nhai?"

"Waita hako mai Fadzi wafona ndiri pa nguva yakaoma. I need help as soon
as possible. Please ndibatsirewo tozotaura ndauya."

Ndakamuudza zvakanga zvaitika ndikati akumbire baba Tino avape location


kwandaiva. Ndakamira for almost an hour ndokuzonzwa sound yemota
panze. Ndakadzima candle kuitira kuti pamwe havasi baba Tino. Asi
pandakazonzwa voice rababa Tino ndikabva ndasheedzerawo mandaiva.
Ndakavhunduka ndichinzwa voice remudzimai wangu uye sound ye wheel
chair yake yaiita kasoumd kana achiwedzera kana kureducer speed kana
kuisa mabrakes.

"Ndauya baba Fadzi handeyi kumba. Its not safe here tonotaura tasvika
kumba."

"Handichaona mai Fadzi ndatova bofu ini.

Meso handichina."

"As long vasina kuatushura you will see again."

433 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
Ndakabatwa ruoko nababa Tino rumwe vachisunda wheelchair ya mai
Fadzi. Moyo wemukadzi wangu ndakautya. Haana kana kufunga ruviri
kana kuti hameno ngazvigare zvakadaro. She risked her own life to come to
my rescue. Takasvika kumba ndikasvika ndichibatsirwa kusvika Ku bedroom.
Ndakanzwa mai Fadzi vachiraira kuti baba Tino vakiye gate vauye
kuzovata kumain house in case vakada help. Ndakanzwa mvura yavhurirwa
ndikabatwa ruoko kuendeswa mubathroom nemunhu ari mu wheelchair.
Wheelchair aiishandisa kana aine movement yaaida kuita very fast. Asi kana
asiri muhurry ainanaira hake asi makumbo aibvunda. Ndakabatikana
mekukurirwa kwakanga aita asi aindibatsira vachitaura neunyoro.
Ndakanga ndichiri mushock musajairira kungoita bofuka iwe wanga
uchiona. Ndakarambidzwa kutaura zvakaitika ipapo ndikanzi ndivate.
Kuseni akamuka achigadzira kuenda Ku exam. Akafonera baba Tino ndivo
vakasara neni. Celine akamuperekedza haana kutomboziva kuti ndirimo
ndava bofu. Baba Tino vakanga vasinawo shungu sterek nenyaya dzevanhu
vaingoita as instructed. Akadzoka kuexam yaiva yekupedzisira ndipo
patakazowana mukana wekutaura mauro tava kuvata.

"Ndakaona kuti ndingazonzwa zvinondipa stress ndichinyora exam. Vana


dad ndichavaudza mangwana uye baba Tino vachatiperekedza kuhospital.
Avo varegeyi hakuna kwavanombosvika and chandoziva hakuna video
ichabuda nekuti naivowo hapana anoda kuzvinyadzisa. Mari yavakatora
iyoyo yakakwana that's their pay for taking care of me. Pane zvandaona pa
video yacho zvekuti I can trace munhu akarigadzira ndiye wandichaisa
pakona. I have a feeling yekuti avo havana imwe copy iyoyi yavakupa was
the only. Vana dad nevamwe vose tongoti itwas an accident pano pamba."

Takaita sekudaro vana baba vangu nehama dzose vakauya kuzondiona


hapana asina kuchema. Ndakanga ndatova bofu INI. Kuchipatara ndakapiwa
hangu mushonga wandaidonhedzerwa ndava kuvata. Derrick akauya na mai
Chichi uye mukwasha na Daphne. Musi tasvika vana Derrick ndiwo
warwadza mumba ya Shumie. Akatakurirwa kuchipatara news dzikauya kuti
kwakanga kwaitwa Derrick Jnr. Musi wabuda kuchipatara ndakasvika

434 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5
ndikamubatiswa mumaoko ndikachema kuti chokwadi ndotadzawo kuona
mwana wangu here. Ndakagara two weeks dzakazara. Ndaienda
kuhospital kwemukwasha ndichinotariswa. Progress nemukadzi wangu
ndaingoita yekunzwa ndakanga mdisisagoni kumuona. She prayed for me
daily. Pakaita rimwe zuva raakavatira husiku hose kunamata.
Ndakazongobatwa nehope achingova pakati. Ndakamutswa kuti ndidye .
chishamiso chikuru ndakatanga kuona madzengerere mumaziso zvichienda
zbichiira clearer and clear. And I could see again. My wife was the only one
who was there to witness this miracle. Hama dzakaudzwa munana uyu
wekuonazve after almost a month of blindness, and my wife never left my
side. And ndikagonawo kuona my son my heir. Ma results akauya akapasa
Shumie. Wheelchair akanga asisahandisi and yakasvika paakazonzi haachina
need ye phisio. Zveshuwa sekutaura kwake she traced munhu akaita ma
video akamuwanira pa moonlight building. And tsvina dzose dzakanga aita
dzikaparadzwa pasina kusungisana.

Jane akapedza training yake akanoiswa Ku Gwanda Ku Mpalabala ndiko


kwaakanga oshandira.Tsano Cliff graduated August iyeye Ku school of
mines.

Shumie akapedzawo that same year akagraduata. Daphne wo graduated


kuCanada vakadzoka kumba asi Rue akasarako achiita degree
rake.pavakauya Daphne akanga akatozvitakura neimwe mimba. We
celebrated Christmas zvakare pamwe chete semhuri. Ipapo paiva ne welcome
yaana Daphne. Baba va Celine vaivapowo vakanga vauya kuzoona mwana
wavo nemuzukuru and vakakumbira mhuri yose ruregerero. And nesuwo
wakava mukana kuoneka takunogara ku Malaysia nemhuri ndiko
kwakabudira mukana ikabva yatoita farewell. Baba Tino takavapa mari
yekutanga business ravo.

We looked back rwendo rwatakafamba and saw mekupupura kuti nothing


was gonna separate us except death. All the challenges made our love even
stronger. We were unbreakable, unseperable. We learnt so much in life and
without doubt, we were a perfect partner for each other. Hazvina kurema to
confess to each other kuti you are MY PERFECT RIB.

435 | M y P e r f e c t R i b S e a s o n 3 ( M a i B J J ) 0 7 7 2 9 2 1 9 9 5

You might also like