You are on page 1of 8

PROGRESS PRIMARY SCHOOL

ChiShona Paper 1

Grade five (5)

Time 1 hour

MIRIRO KUVADZIDZI
1. Mirira kusvika mudzidzisi akuudza kuti uvure bepa iriri.

2. Pindura mibvunzo yese pabepa yauchapiwa.

3. Nyora kuti A, B, C kana D.

4. Nyora zvakanaka.
Grade 5 Shona Paper 1
Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo.
Kana munhu akakwira mutsime, murwizi kana munzimbo dzokutuhwina pamusha
penyu, munofanira kubata hana. Musangobva mavhunduka, momhanyira
kundoedza kumunyurura Nokuti zvingangoitika kuti vanhu vaviri vanozonyudzwa
nemvura iyi. Munokwanisa Kushandisa danha refu, hombe, rinoyangarara
pamusoro pemvura kana tambo refu kana zichhubhu rakazadzwa nomweya
kunyurura munhu. Vanhu vakafanira kudzidziswa nzira dzokudzivirira tsaona
dzokunyura mumvura, zvikuru vomuruzevha umo maperera vanhu mumadziwa,
mumadhamu, munzizi nomumatsime.

Sarudza mhinduro inokodzera.


1. Chakaipa kuti kana munhu anyura mumvura
A. kumhanyamhanya nokuvunduka C. kutuhwina
B. kubata hana D. kutsvaga danda

2. Neripi izwi rinoreva zvakafanana natsaona?


A. njodzi B. rufu C. tsime D. kunyura

3. Unogona Kushandisa zvinhu zvinngani kunyurura munhu zviri mundima?


A. chimwe B. zviviri C. zvitatu D. zvine

4. Kana chinhu chisinganyuri tinoti chiri


A. Kunyura B. kutuhwina C. kushambira D. kuyangarara

5. Munhu wose anokurudzirwa kudziidzira


A. Kutuhwina C. kuva netambo
B. Kunyurura D. kushandisa danda
6. Rimwe izwi rinoreva mumaruwa riri munyaya nid _____
A. mudhorobha B. mutsime C. murezevha D. mudhamu

7. Inzimbo ngani dzataurwa mundima dziri kunyura vanhu?


A. ina B. nhatu C. shanu D. nhanhatu

8. Kubata hana kuita sei?


A. kutsinga B. kutya C. kuvhunduka D. kufema

Zadzisa neizwi rakakodzera


9. Mukomana akati ______ kuenda nenzira.
A. nzve-e B. pfacha C. tande D. timu

10.Bhazi rakati ____ kusvika pachiteshi.


A. pfocho B. kutu C. dzvamu D. vhu-u

11.Maziso ake akatsvuka kuti


A. piriviri B. mbembee C. ndo-o D. tsva-a

Sarudza tsumo inoenderana netsanangudzo yakapiwa.


12.Kazhinji unozowana watombotambura.
A. Hapana mukuyu unovinga shiri
B. Sango rinopa waneta
C. Aiva madziva mazambuko
D. Gudo guru peta muswe
13.Munhu anonyepedzera kukufarira asi asingakufarire
A. nzou hairemerwi nenyango dzayo C. chitsva chiri murutsoka
B. zino irema D. seka urema wafa

14.Kushora zvinhu nezvimwe zvinobatsira muupenyu.


A. Usashora mbodza neinozvimbira
B. Rugare tange nhamo
C. Nhava yebenzi haitani kusakura.
D. Mombe yekurongerwa kama wakaringa nzira.

Verenga ugopindura mibvunzo


“Titambireko, vokubasa, baba,” Amai Sekai vakadaro vachisimuka kundotambira
murume wavo. “Inga nhasi makurumidza! Kubva asvika ndisati ndagadza
tsambakodzi pachoto? Ndichangobura hadyana yomuriwo iye zvino zvino. Ko,
maswera seiko Museyamwa?”
Vakazotungamidzana vopinda mumba ndokusvikogara pazvigaro. Murume
akanga akatsikitsira. Kwechinguva Hapana akati bufu! Pava paya murume akati,
“Mukadzi wangu, nyaya iripo ndeiyi, imi ndanzi basa rapera.”

Sarudza mhinduro inokodzera.


15.Ndiani akatambirwa?
A. NdiSekai C. Ndiamai Sekai
B. Ndibaba Sekai D. Mumwe murume

16.Hadyana ihari yekubikira


A. muriwo B. sadza C. mahewu D. doro

17.Izwi rinoreva zvakafanana natambira ndi


A. chingura B. perekedza C. nyeurira D. tambisa
18.Tsambakodzi ihari ye
A. sadza B. muriwo C. mukaka D. maheu

19.Kutungamidzana kuti
A. uyu parutivi uyu parutivi C. uyu pamberi uyu parutivi
B. uyu pamberi uyu mumashure D. uyu pano uyu apo

20.‘Hapana akati bufu’ zvinoreva kuti


A. hapana akakunda C. hapana akatakura
B. hapana akasvika D. hapana akasimuka

21.Chakaita kuti baba vaSekai vakurumidze kudzoka kumba ndechekuti


A. vakanga varwara C. vaiva nenzara
B. vakange vatumwa D. basa ranga rapera

22.Vapinda mumba mukadzi nemurume vakasvikogara


A. pazvigaro B. parupasa C. padehwe D. pachoto.

Zadzisa neukama hwakakodzera.


23.Handzadzi yaamai vako ndi
A. ambuya B. sekuru C. tete D. babamukuru

24.Mwana wemwana wako unomuti


A. muroora B. muzukuru C. mukwasha D. mutorwa

25.Madzibaba amadzibaba edu echinyakare anonzi


A. magamba B. mauto C. madzitatehuru D. vashakabvu
26.Munhu anotumwa nemashoko namambo anonzi
A. nhume B. munyaya C. gwevedzi D. svikiro

27.Shamwari huru yemhuri inonzi


A. muzukuru B. sahwira C. tsano D. godobori

Sarudza izwi rinopikisana nerine mutsetse pasi.


28.Upfumi hwaVaTembo hwakawanda chose.
A. Upenzi B. Umhare C. Urombo D. Utsvina

29.Mukomana uyu imbwende chaiyo


A. imhare B. ihurudza C. inyanzvi D. ishumba

30.Vana avo vanogara vachifara.


A. vachitaura B. vachichema C. vachiseka D. vachifaranuka

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo.


Panyika pano pazere ndudzi dzematambudziko anowira vanhu. Vana vechikoro
vanotadza Bvunzo dzavo, kushaya nzvimbo nemari yechikoro. Kune vanotamba
urovha nekuda kwekushaya mabasa. Mumhuri mune dambudziko rokushaya
mbereko kana kufirwa. Vamwe vanobirwa mari kana mbatya nemimwe midziyo.
Asi matambudziko ose aya anopera nokutaurirana nevamwe kwete kungoita
fungiramuyo.

31.‘Ndudzi nendudzi dzematambudziko’ zvinoreva matambudziko


A. anorema C. akasiyana-siyana
B. akafanana D. anonakidza
32.Vana vechikoro vanowana matambudziko api?
A. Okushaya mari yenzvimbo yechikoro C. Okufa
B. Okushaya basa D. Okushaya shamwari

33.Kutamba urovha kudini?


A. Kufirwa C. Kushaya mbereko
B. Kushaya basa D. Kushaya mari

34.Kushaya mbereko kudini?


A. Kufirwa
B. Kushaya mbereko yekuberekesa mwana
C. Kushaya mwana
D. Kuva nenhamo

35.Nyaya iyi iri kutitaurira kuti matambudziko ose anoreruka nei?


A. Nekuita fingiramumoyo C. Nekuba
B. Mushambarichakwata D. Nekushanda nesimba

36.Rimwe zita rekuti munhu anosunga zvinhu mumoyo make ndi _____ rinobva
mundima.
A. hurudza B. fungiramoyo C. kuba D. ndi

Pedzisa zvakanaka
37.Gwenzi muuzhinji ndi
A. kwenzi B. makwenzi C. zvikwenzi D. gwenzi

38.Kazororo muuzhinji ndi


A. zizororo B. ruzororo C. tuzororo D. dzizororo
Sarudza chirevo chakanyorwa zvakanaka.
39.A. ‘Ndipe bhuku rangu, akadaro Chipo’
B. ‘Ndipe bhuku rangu’, akadaro Chipo.
C. ‘Ndipe bhuku rangu akadaro Chipo.
D. Ndipe bhuku rangu akadaro chipo

40.A. ‘Mhanya!’ mapurisa akadaidzira


B. Mudzidzi akati ‘huya kuno’.
C. ‘Ibva mhani’!
D. ‘Ndinoda nyama,’ nederere, ‘Chipo akakadaro.

You might also like