You are on page 1of 7

32.

Chati homu chareva


TSUMO
1. Afirwa haaringwi kumeso 33. Chauya masikati charamba ndima chauya usiku

2. Aguta haaoneki charamba hope

3. Aiva madziva ave mazambuko 34. Chava chigondora chava chimombe kutadza kutunga

4. Akuruma nzeve ndewako hurema hwacho

5. Akwewa sanzu akwewa namashizha aro 35. Chavavana batisisa mudzimu haupi kaviri

6. Ane ganda ane nyama hazvienzane nowakabata hohwa 36. Chavavana pfumbata vashakabvu havakandi ruviri

7. Ane marengenya haacharike moto 37. Chawawana idya nehama mutorwa ane hanganwa

8. Ane mhuri kwayo ndeane ndume ane mhurikadzi vaeni 38. Chawira pasi mudzimu wembwa

9. Anokutukira badza unokupa upfumi 39. Chekuba hachigari

10. Apunyaira haashayi misodzi 40. Chembere masikati usiku imvana

11. Ashamba haanokorerwi 41. Chembere mukadzi hazvienzani nekurara mugota

12. Atandavara aguta, apfunya ndiye avata nayo 42. Chembere ndeyembwa yomunhu inofa ichigurukuta

13. Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro 43. Chembere ndeyembwa yomurume ndibaba wavanhu

14. Atswinya arwa 44. Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi

15. Avengwa anhuhwa 45. Chibwe chiremera chavari kure vari pedyo vanotamba

16. Benzi rikasaimba manjemanje richamhanya bani nacho

17. Chada mwoyo hachikoni, mwoyo chiremba 46. Chidamoyo hamba yakada makwati

18. Chafamba chasvava 47. Chidembo hachinzwi kunhuhwa kwacho

19. Chaikanya chototsa, chaitotsa chokanyawo 48. Chidhiidhii kutsvara hundi moyo uri kumakoto

20. Chaitemura chava kuseva 49. Chidokodoko chirere muviri chikuru chinozouya wakora

21. Chakabaya chikachokera 50. Chidziva chakadzikama ndicho chinogara ngwenag

22. Chakaenzanwa ibvudzi upfumi hahuna kuenzanwa 51. Chigare chenda kudya akaitakura

23. Chakafukidza dzimba matenga 52. Chigarisano ndicho chine mhosva

24. Chakanaka chakanaka mukaka haurungwi (munyu) 53. Chigere ibwe muti unowa

25. Chakatairi pasi ndechevanhu vose asi chiri mumuti 54. Chikomo shata divi rimwe ritambire pwere

ndechowagona kukwira 55. Chimwe nachimwe chine nguva yacho

26. Chakatanga ndochakachenjedza 56. China manenji hachifambisi chinomirira kuti mavara

27. Chako ndechako kuseva unosiya muto acho aonekwe

28. Chapadare chakakandwa parurimi rwavapfuuri, 57. Chinogova ruoko muromo haugovi

chomumba chiri mumhepo 58. Chinokanganwa idemo asi chitsiga hachikanganwe

29. Chapinda munzeve chavaridza bonde 59. Chinokokwa upfumi urombo hunozvikoka

30. Charova sei chando chakwidza hamba mumuti 60. Chinokura chinokotama musoro wegudo chave

31. Charovedzera charovedzera gudo rakakwira mawere chinokoro

kwasviba 61. Chinokura choga isango munda kukura huona tewe


62. Chinokura usipo imombe munda unokura 91. Gapakapa ndere fodya remhudzi rinokura
nokuvandurirwa nokusakurirwa
63. Chinono chine’ngwe bere rakadya richifamba 92. Gombarume kudze soro kukudza dumbu wonge wave
64. Chinonzi regedza ndechiri mumaoko chiri mumoyo chana
unofa nacho 93. Gona ana gona vakewo
65. Chinotanga mberi mashura 94. Gona rehupfumi iziya
66. Chipitipiti chakazvara chimwandamwanda 95. Gondo kuengerera raona zumbu
67. Chirema ndechina mazano chinotamba chakazendama 96. Gore haribvi pakabva rimwe
kumadziro 97. Gore musandu
68. Chirere mangwana chigozokurerawo 98. Gunguo rakaramba kumirira museve rikapona
69. Chiri mumoyo chiri muninga unofa nacho nehwakumukwaku
70. Chiri pamuchena chiri pamutenure 99. Gunguo rinodya mbamba, rino muchero waro
71. Chiripo chiripo ndarira imwe hairiri 100. Hakuna dziva risina chura
72. Chirungurira ndechowadya maradzwa chowerinopisa 101. Hakuna mombe inokorera pamarekete
isvoto 102. Hanya nani chidoma chekwaChivi
73. Chisi chako hachibatsiri unodya wakaringa kumusuwo 103. Hapana angagone chisingagoneke naGona
74. Chisi hachieri musi vacharimwa 104. Hapana chembwa tenzi vararira mutakura
75. Chisingaperi chinoshura 105. Hapana mhou inokumira mhuru isiri yayo
76. Chitaurirwa mbare dzekumusana 106. Hapana mukuyu unovinga shiri
77. Chitende chinorema ndechine mhodzi 107. Hari haiviri isina mukuchidziri
78. Chitsva chiri murutsoka 108. Hauzivi tsanga inokodza tsambakodzi
79. Chitsva chitsva munamba wejenachena 109. Heya baravara ndiwo magariro kutuka mwene wechisvo
80. Chivendekete anoseka chimedure ndiwo mano
81. Chomukuru anopa omene 110. Hope hadzina ndima
82. Chomukuru hachikumbirwi 111. Hove dzinokwira dzine muronga
83. Chura kugara mumvura handi kunwa 112. Hove huru dzinodyira kwodoka
84. Dare harizondi munhu rinozonda mhosva 113. Hukwana inodya ndeiri pana mai
85. Dindingwe rinonaka richakweva rimwe kana iro 114. Hurudza inofa ichinzi inodya
rokwehwa roti mavara angu azare’vhu 115. Hwahwa hahuna mbuva
86. Dzakatamba nepwete dzikareswa kudzorerwa 116. Ibangano muchateya kuzondoona kwava kwomumwe
87. Dzavira mutswanda hadzichanetsi kunhonga chete
88. Dzvinyu kuzamba zuva huona bako 117. Idambudziko rehope kurota kwawakarambwa
89. Fodya haina manenji semhamba 118. Igangaidza mukwenyi mhezi kuvavira mumoyo
90. Fodya haina shura sedoro 119. Ikamwe pagore hembe yenherera
120. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzematowo
121. Imbwa payadyira haipakanganwi 154. Kunokanganwa mudyi wenyemba muoreri wamateko
122. Imhashu yomurwere inogochwa yakabatwa gumbo haakanganwi
123. Inotanda yomunyepi younyerere haitandi 155. Kupa kuturika
124. Ishe ndishe, muranda muranda 156. Kupedza nyota kuenda padziva
125. Ishungu dzomutana waswera padare kuramba 157. Kupfuma kwemuchana mudzimu wake
nemhandire seane meno 158. Kuramba dzvuku kuona jena
126. Isimba kaviri kurwa nemukadzi weasipo 159. Kuramba nyama yechidembo hunge une yetsuro
127. Kakara kununa hudya kamwe 160. Kurava mbudzi nedzisipo kurava nedzava matowo
128. Kamoto kamberewere kanopisa matanda mberi 161. Kuravidza chembere muto wegwaya mangwana inofira
129. Kana shumba ikashaya nyama inodya uswa mudziva
130. Kana wadya imbwa idya iri hono 162. Kurayira kunoda pwere mukuru ndimambo
131. Kandiro enda kandiro dzoka 163. Kure kwegava ndokusina mutsubvu
132. Kandiro kanoenda kunobva kamwe 164. Kure ndokuna amai kune mukadzi unofa wasvika
133. Kangoma kana koririsa kawa pedyo nekuda kubvaruka 165. Kurembera kwedamba handiko kuwa
134. Kubaya tange hama vatorwa vakutye 166. Kurera imbwa nomukaka mangwana inofuma yokuruma
135. Kubikira mweni kumudzinga 167. Kurera imbwa rera inoruma igokudzivirira mupfumvu
136. Kuchengeta imbwa yomweni kuda mwene wayo 168. Kureva ndokunei, kutarisa kurevawo
137. Kuchenjedza nyamukuta kuzvara uchada 169. Kurova imbwa wakaviga mupini
138. Kuda chemungozva kubata mwana 170. Kurumwa nechekuchera
139. Kudada kwavari mugomo kukumbira vari pasi mapfiwa 171. Kusaziva kufa
140. Kudya chevapfupi nekureba 172. Kutaura kudzikisira kuita makata
141. Kudyirwa munda nembwa sendakarima nyama 173. Kuvhunduka chati kwata hunge une katurike
142. Kufa izuva rimwe, kuora igore 174. Kuyewedza semhiripiri mukati izere uturu
143. Kufa kweane hari anosiya mazonde 175. Kuziva mbuya huudzwa
144. Kufira mafufu segonzo 176. Kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzinomhanyira
145. Kugara nhaka kuona dzevamwe 177. Kwamairidigikira ndiko kwomoringa benya, kwamairinga
146. Kugarika tange nhamo benya ndiko kwomoridigikira
147. Kugocha kunoda kwaamai kwomwana kunodzima moto 178. Kwave kusakara kwedowo serisakadyiwa nyama
148. Kugutswa nguva shoma senzara 179. Made echakata kutsvukira mumuti kuti ndiposherwe
149. Kujaidza makudo neanokamhina 180. Mai musuva usingasevi muto
150. Kukokwa kwasamusha kukokwa kwavagere naye 181. Makunguo zvaakatya akafa mangani
151. Kukonwa kwedare kukonwa kwamambo 182. Makunun’unu maodza nyemba
152. Kukurukura hunge vapotsva 183. Manenji kuona kamba ichitamba nembudzi
153. Kungotya nyanga dzezizi nyamba manhenga 184. Mangachena inoparira parere nhema
185. Manyengedza pfungwa efodya kuzadza dama nehutsi 216. Munyai mutumwa, muridzi wesoko ndiwe
husingasviki kuguru 217. Muonerapamwe chuma yemuzukuru
186. Mapudzi anovira kusina hari 218. Muramba kukombwa muramba hweni
187. Matakadya kare haanyaradzi mwana 219. Murombo haarovi chine nguo
188. Matanda makuru mazunguniswa 220. Murombo munhu
189. Matende mashava anovazva doro 221. Muromo chipfukuto unopedza matura
190. Matukirwo ababa kunema mwana 222. Muromo haupi chinopa maoko
191. Matsotsi haagerani 223. Muroyi munhu kubayiwa anochemawo
192. Mazvokuda kufa namaronda enyora 224. Muroyi royera kure ugowana anokuviga
193. Mbavha imbatwa, mbavha-rutsoka ishamwari 225. Musanyengerera makudo neanokamhina
194. Mbiri matende inoputsika 226. Musha mukadzi
195. Mbudzi kudya mufenje kufananyina 227. Muto wetsenza ndiwo mumwe
196. Mbudzi yazvarira pavanhu yati nditandirwe’mbwa 228. Mutsa worutsoka kuperekedza ziso
197. Mhembwe rudzi kuzvara mwana ane kazhumu 229. Muzivi wenzira yeparuware ndiye mufambi wayo
198. Mhondoro kurura inotanga wayo 230. Mviromviro yemhanza inotanga shosha
199. Mhosva haiori 231. Mviromviro yemhanza mapfeka
200. Mhosva inorondwa hakuna mhosva yakaita honye 232. Mvura inoera usinayo
201. Mhuno hainwi mvura muromo usina kunwa 233. Mwana asingachemi anofira mumbereko
202. Miti inomera pamwepo hairegi kukwizana kana kune 234. Mwana muduku kubvuma rwendo rwake ruri mberi
mhepo 235. Mwana washe muranda kumwe
203. Mombe yekukumbira ndeyekukama wakaringe nzira 236. Mwana washe ndishewo, womuranda anochemberera
204. Mombe yenjeni kutokama wakasungira muuranda
205. Moyo chena unobayisa 237. Mwana wengwe mwana wengwe kuona chikara haatizi
206. Moyo muti unomera paunoda 238. Mwana wenyoka inyoka haina muduku
207. Mudzimu vakupa chironda vati nhunzi dzikudye 239. Mwoyochena weyi bere kugarira munhu akafa
208. Muenzi haapedzi dura 240. N’ai kwadzo ndedzomucheche dzomukuru dzinoreva
209. Mugoni wepwere ndeasinayo kudya
210. Mukwasha mukuyu haapere kudyiwa 241. Ndakaziva haitingamire
211. Munhu akanaka haararame 242. Ndakazvida haichemedzi
212. Munhu haarerwi nebonde 243. Nerimwe zuva gava richadimbura musungo
213. Munhu kufamba kunenge kukavira nyimo, kutizira 244. Nhaka mbuya ndeyemombe yemunhu inovhionera
kuchinge kudyara nzungu, kucheuka kukange 245. Nhamo inenge yefodya inoti uku yakarumwa uku
kutsindire’shwa inotsva
214. Munhu akatsiga anozviganhura pakunwa hwahwa 246. Nhamo inhamo zvayo amai havaroodzwi
215. Munongedzo hauzvinongedzi 247. Nhamo yomumwe hairambirwi sadza
248. Nhasi chineni mangwana chinewe 282. Rombe rinosekwa richaenda kana rodzoka, hedzo
249. Nhasi ndini mangwana ndiwe nhureture
250. Nhenha isibi inoroya 283. Roro kutsvuka kunze mukati rizere masvosve
251. Nherera inoguta musi wafa mai 284. Rukova rwizi kuyambuka unokwinya nguo
252. Nhonhongora kudya chayo kukumbirirei uchi kudondi 285. Rwizi rukuru madirano
253. Njera yomusaririra ndiyo yeshiri 286. Rwomuranda rwakoneswa norwashe, rwashe
254. Nyadzi dzinokunda rufu rwakoneswa nemvura kunaya
255. Nzanga inokura yerema yomuchenjeri inoparara 287. Shambakodzi yakarindwa haiviri
256. Nzanga seka dumba, dumba seka nzanga 288. Shungu dzembwa dziri mumwoyo kuhukura ndiko
257. Nzira masanga kududza
258. Nzombe huru yakabva mukurerwa 289. Soko harivhikwi
259. Nzou hairemerwi nenyanga dzayo 290. Takabva neko kumhunga hakuna’pwa
260. Nzou mutupo pana vanhu paseri ava machikichori 291. Tambe tambe vanoda varivo
261. Onde kutsvuka kunze mukati rizere masvosve 292. Taramuka panotamba dera
262. Pabva zino rave vende 293. Tenda muchero ugowisa
263. Pachapwa madziva miramba tichanyurura 294. Tenda muchero wadya zvinogadza mwoyo
264. Pagara murimi pagara mupopoti 295. Tenda wakohwa zvemunda wezunde
265. Pakukutu hapaurayi 296. Tichaona kunowira tswimbo nedohwe
266. Pane danga pane mombe pane hundi pagara hurudza 297. Totenda dzanwa mombe dzaswera nebenzi
267. Panoda mwoyo nzira haisviki 298. Totenda maruva tadya chakata
268. Panodya ishe varanda vanodyawo 299. Totenda nyemba tanwira mvura
269. Panomera muswe panonyeredza 300. Totenda yabikwa imba yepwere
270. Pasina nyimo makunguo aizodyei 301. Totenda yavira tsambakodzi yedemhe
271. Pfini yenyoka kuruma chaisingadyi 302. Tsapata rukukwe hazvienzani nokurara pasi
272. Potsi haarwirwi anorwirwa ndiPiri 303. Tsenzi igara yadyiwa
273. Rambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma 304. Tsiru nzenzi manhenda waikama
274. Raramo idivakamwe 305. Tsuro haipunyuki rutsva kaviri
275. Rega kutsindira mwena unobuda ishwa 306. Tsuro kotsa muromo
276. Rega kuyera nyoka negavi iyo iripo 307. Tsvaru akadana tivu
277. Regai dzive huku mazai haana muto 308. Tsvimborume kutandara nemvana mwoyo uri
278. Rina manyanga hariputirwi mumushunje kumhandara
279. Rinonyenga rinohwarara rinozosimudza musoro rawana 309. Tswanda inorema yasvika
280. Rombe ngerichaenda rodzoka ndimambo 310. Twemudenhe tune ushorwi
281. Rombe pakata hana mukaka ndowavaridzi 311. Ubatebate hunourayisa
312. Ugaro mwena kutevedza hunoguma
313. Ukadzinga tsuro mbiri imwe inopunyuka 345. Usarume muromo wenzombe inopura zviyo
314. Ukama hahusukwi nemvura hukabva 346. Usashore nyemba nedzinozvimbira
315. Ukama hunonhuhwa 347. Usatamba nematope pasina mvura
316. Ukama igasva hunozadziswa nokudya 348. Usatanda hwiza idzo tsuro dzichauya
317. Ukama urimbo kudambura haubvi 349. Usatsvaga nhava muuswa iro sora ratsva
318. Ukangosekerera hwiza mangwana dzinokudyira muriwo 350. Usavaka danga pasina mombe
319. Ukanzwa bofu richiti ndinokurova pane cherakatsika/ 351. Usaverenga mbeva nemudune
parakazendama 352. Ushe hauzvitongi
320. Ukaravidza chembere nyama inofira musango 353. Ushe hukokwa, hunotokokwa kune vamwe
321. Ukuru hurema hahuvanzwi 354. Ushe hunonyanga dera
322. Umambo hutambidzwana 355. Ushe hunonyangira rema
323. Umba hwehosi husina marevere 356. Ushe husiirwana
324. Umhandara idambakamwe 357. Ushe idova hunoparara
325. Unaki hwemukadzi huri pamwana 358. Ushe imhute hunoparara zuva rabuda
326. Upenyu hwenungo irima 359. Ushe madzoro hunoravanwa
327. Upenyu imhindupindu 360. Ushe muzhanje unokuva
328. Upfumi idova hautani kupera 361. Ushe vuranda
329. Ura mapako hunozvara mbava nemuroyi, 362. Usiku humwe hauodzi nyemba
330. Urombo hune nherera kudya ikarutsa, 363. Usiku igore
331. Urombo hwayo mhembwe kufa iri pamusungo 364. Uswa hwenyati dohuri mudumbu huri pamuromo inofa
332. Urombo hwenherera kupakwa ichirutsa, nahwo
333. Urombo uroyi hauudzwi munhu 365. Utsi hwenyama hautosvori
334. Urombo hwematede kunaiwa nemvura makurwe ari 366. Utsva hworurimi hahuna marapiro
mumhatso 367. Uzivi wenzira huri mugumbo
335. Usachenjedza n’anga kurapwa uchada 368. Vadani ndivo vakani
336. Usadzinganisa tsuro nemunyu muchanza 369. Vagere pachavo vangonyinda
337. Usaguta ukasunda dura 370. Vakachenjera havatsvairani mbeva
338. Usakangira nyimo vane meno avo havo 371. Vakadyara tsvina vachakohwa hundi muchamupupuri
339. Usakurumidza kumedza kutsenga uchada 372. Vakafa havana chavakaona
340. Usakusha mbeu mvura yaenda 373. Vakafa vakazorora
341. Usaona imbwa kunyenama ukati unokusekerera 374. Vakakavira mhepo vachacheka chamupupuri
342. Usapedzera tsvimbo kuna vanamakuwe idzo hanga 375. Vana wengwena havakuriri mudziva rimwe chete
dzichauya 376. Vari kuno vanoshura vanoviga nherera mhenyu
343. Usapinza munwe mumwena unobuda wareba vachisiya muzvari afa
344. Usaruka nhava sora ratsva 377. Vari pachavo chikurikuri
378. Vari pachavo vanokwenyana 409. Zizi kurungwa munyu roti ndava hukuwo
379. Varume ndivo vamwe kutsva kwendebvu 410. Zundu kugara mudanga zvanzi ndava mombe
vanodzimurana 411. Zuva igore rinodoka rava namarevo mavi namavuya
380. Vataitururira matohwe nhasi ndivo votiseka 412. Zvaitika zvaitika bhurugwa rebenzi risingazivi mberi
maparapadzwa kana shure
381. Vaviri vaviri wechitatu muzvinaguhwa 413. Zvinhu zviedzwa chembere yekwaChivi yakabika
382. Vayanani ndivo varwi mabwe ikanwa muto
383. Vimba nechako chemwango chekukumbira hachina 414. Zviri kumwene wegira kufuka kana kuwarira
ndima 415. Zviroto zviroto
384. Wabereka sekera muchitende 416. Zviururwi zvinofara kana kondo afa ziso
385. Wadzvova aguta
386. Wafa wanaka
387. Waguta zvekupisa dura
388. Waita mbereko ada kusuka machira
389. Waita womutorwa kuti kumwe kwakaoma kumwe
kunyoro
390. Wakagarika ngewakafa mupenyu pfumo riri mushure
391. Wakandicheka nerakagomara
392. Waniwa haichatyi kufamba mudova
393. Wanzi baba wada kamusha kake
394. Warara warara nemuromo wake
395. Watungamira haatori nzira
396. Wazarira bako mvura ichada kunaya
397. Wegudza ndowegudza kufuga gumbeze rinotsva
398. Wenhamo haachatyi kufamba murima
399. Wenhamo haaneti
400. Yatsika yanwa
401. Zano marairanwa
402. Zano pangwa une rako
403. Zino irema rinosekerera varisingadi
404. Zvakona n’anga murapwa achida
405. Zipfuko rambuya ziramba watonha
406. Zingizi gonyera pamwe maruwa enyika haaperi
407. Zino irema rinosekerera newarisingadi
408. Ziriwo rechembere ziramba waravira

You might also like