Professional Documents
Culture Documents
Dendavabatsiri …………………………………………………… 3
Kumikidzo ………………………………………………………… 4
̱ʹ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
DENDAVABATSIRI
vanyori
̱͵̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
KUMIKIDZO
̱Ͷ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
DURA
Mibvunzo nemhinduro
Manotsi
Mibvunzo nemhinduro
Manotsi
̱ͷ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
SHONA LANGUAGE PAPER 1: FOMU 4
Rondedzero (50)
Nzwisiso (20)
Pfupiso (10)
̱̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
sechitsvikidzvororo achidzvova-dzvova sevakuru vesango. Vakuru vaiona
vaizongopedzisira vatomakanda mapfumo acho pasi vachingoti kwainge
kwoitwa nerume iri kudziirwa senyuchi dziri mumukoko. Vamwewo ndivo
vaingoti ndezvemeso kuitira kuti muromo ugowana runyararo sekumarinda.
̱ͺ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Kuzoti tichiti ngori muna Chivabvu vanhu vose vakaona kuti tsuro haipone
murutsva kaviri asi kamwe chete. VaFunu vakazozvambaradza mai vavo
nyakutumbura nekuti vakanga vangomurumawo nzeve chete kuti asiyane
netsika yake yekuzviita Nyadega kuranga nevaroyi vose. Vakasara vakati
rabada kwakadaro sematanda akangopotserwa zvemvengemvenge. Vanhu
vakambozama chipatara asi zvakakona vana chiremba nen’anga asi murapwa
achida. Vakazopedzisira nekuenda kumaporofita asi kwaingova kupedza
nguva kuedza kuisa makumbo muhomwe. Vechikuru vemunharaunda vaibva
vazongoti iyi ndiyo inonzi ngozi pachezvayo. VaFunu vakazombotanga
vachiita nharo asi zvakazobuda pachena kuti muromo wevakuru ungawire
zvawo mugungwa kwete kuwira pasi. Amai vake vakazofa.
Manotsi
̱ͻ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Handiti munenge matouraya nevamwe varwere vaanga
acharapa vakatopona? Mabasa anosara asina vanhu aya!
Nyika inogwadama pasi chaipo makatarisa igotanga
kukambaira sendumurwa chaiyo!
Chenai: Dzimwe nyika vakuru venyika nevatungamiriri vemapazi
akasiyana-siyana vari kubira nyika yose vanhu vachifa
nenhamho ivo vachizvipfumisa. Zvino kana nyika yose yofa
nenhamo zvakaipei kuuraya vanoba kuti vanhu vazive kuti
nyika vanhu?
Tendai: Kuzvara kunorwadza uku! Mwedzi mipfumbamwe
wakatakura saga renyemba! Vanamai vese vangasafa here
muchiuraya vana vavo?
Chenai: Ziya rinorwadza kuteura uchizvishandira, zvongobiwa nezuva
rimwe! Pamwe panotoitwa makore kwete mwedzi
mipfumbamwe kuti hupfumi huungane. Pakadaro wonzwa
kuti mbavha rarama ichiraramirei?
Tendai: Zvino mbavha zhinji zvadziri dzechirume tigosiya nyika yese
yave nechirikadzi? Ummm isu varume tichiri kuvada
zveulesbian hatingazvigoni uye zvekutogara vakadzi vega
hatizvidi.
Chenai: Shamwari hurumende chaiyo iri kuuraya vanhu nekushaisa
mishonga muzvipatara umu, vanachiremba vari kusiya vanhu
vachifa ivo vari kustrike saka wotyira kuuraiwa kwembavha
ivo vanhu vasvinu vachifa?
Tendai: Nyika haisi kupa vanhu mabasa. Vamwe vatori nezvikonzero
zvisvinu zviri kuita kuti vabe uye vakwanise kuraramisa
mhuri dzavo. Ikodzero yemunhu kuti kana adzidza uye akura
awaniswe basa nenyika yake. Kana yatadza kumupa basa
ngaimuchengete. Zvino vodii havo? Regai vabe vararamewo.
Hatingaurayi munhu ari kutoshungurudzwawo nenyika yake.
Chenai: Ikodzero yemunhu wese kuzviunganidzira upfumi uye
ikodzero yemunhu kuzvishandisira zvinhu zvake pasina
vanomubira kana kumusveta simba!
Tendai: Ikodzero yemunhu wese kuva neupenyu nekurarama
pamadiro, hapana kodzero yekuuraiwa kwemunhu.
Chinorwadza imimi munonovaka mazimba enyu mumakomo
̱ͳʹ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
mudhorobha umu! Hamudi kushanyirwa kana nehama zvayo.
Pedzezvo hamupi varombo vacho asi muchitenga nyama
yekupa imbwa dzenyu. Imbwa dzacho dzichitogara mumba
nemi asi vanhu musingadi kuvaona! Vokubirai zvenyu moti
vakashata?
Manotsi
-gona kuva vanhu vaviri nguva imwe chete (kuva imbwa nekuva tsuro)
-hapana nguva yekukwazisana apa, kukwazisana hakuna zvibodzwa nekuti
unenge usati watanga kupindura mubvunzo
-chitotanga nepfungwa yacho iri kudiwa sezvaitwa umu, kwete kumbozeya
-nhanganyaya ichingopera darika mutsara
-mutumbi wako ngauve mumwe chete, hapana kudarikira mutsara nekuti
vanhu vari kutaurirana panguva iyoyo saka hapana kuzorora
-mazita evatambi vako ngaapinde mukati kwete kunze kwemutaro
wekuruboshwe uya (majini)
-zita remunhu richingopera isa koroni (:) kutaridza kuti ndiye ave kutaura
-mazita ngaanangane achidzika, uye kudivi remazita ikoko kusawane
chimwe chinonyorwa
-mutambi wega wega paari kupindura ngaapindure nepfungwa itsva kwete
kuzeya papfungwa yataurwa kare (zvibodzwa zviri papfungwa itsva yega
yega)
-kana mutumbi wapera darikira mutsara, wonyora mhedziso
̱ͳ͵̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Ngozi ine zvayakanakirawo zvainodzidzisa kuvanhu kunyangwe
ichishungurudza zvayo. Kana dzava nyaya dzekuurayana vanhu vanofanira
kuziva kukosha kweupenyu hwemunhu. Munhu akafunga kuuraya anobva
atondera ngozi obva arega kuuraya kwacho.
Ngozi inova yakanaka zvekare nekuti inopedza ronda rinenge riri pamoyo
pemunhu anenge atadzirwa. Atadzirwa anosunungurwa moyo kana achinge
apihwa muripo waanenge achida zvomene. Inopedzisirawo yaita kuti vaizive
nekuda kwezvainenge ichiita izvo zvinozoita kuti vazive kutya kuurayana
kana kutadzirana.
Manotsi
-zvazvakaipira
̱ͳ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
4. RONDEDZERO YETSUMO
̱ͳ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
chemhara chichidonha-donha ropa. Ndipo paibva paonekwa kudanana
kwevaviri kwese.
̱ͳͺ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
waNdira waenda kumawere mudzimai waTafadzwa akabva aponeswa
nekamwana kashava uye kaive kamukomana. Izvi zvakabva zvabuda
pachena kuti Tafadzwa aida Shamiso kupinda vamwe vese vemativi mana
enyika. Vanhu vese vakabva vapedzisira nekuoma mate mukanwa, kana
nemumhino makaomawo. Akaramba akarovera moyo padombo kuda kutora
Shamiso kumuita mutsigiri wepamba pake kunyangwe aive
chivhundutsapwere chaicho.
̱ͳͻ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
5. RONDEDZERO YEMAZWI AKATAPWA (mazwi ekutanga nawo)
Kubva musi uyu handina kuda kubvira ndakada kufamba usiku zvakare
nekuti ndakanga ndazvionera ndega saThomas, kwete zviya zveruwanzwa-
wanzwa kuti nzou dzakapera nemariva. Ndipo paya pekuti munhu akakuti
kune mari enda iwe unoramba mari yacho zvese nemunhu wacho kweupenyu
hwese. Kuti nditi zvaive zvemanyepo ekunyikadzimu emunhu arara
akagutisa nyemba nenyimo zvakasangana, ummm imi nanhasi moyo wangu
unoti tana kuramba.
̱ʹͲ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
7. RONDEDZERO YEMASHOKO AKATAPWA (mashoko ekupedzisa
nawo)
̱ʹ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
9. TSAMBA YEBASA
12 Ndira 2021
Mukuru wezveUtano
Musami Hospital
Post Office Box 120
Mutoko
Vanodiwa Changamire
Kana iri nyaya yekurwara chete hatichatauri, pane pekuti munoti mhuri yave
ndonda asi mozoona kuti mhuri yave nemakuva mapenyu. Muri kurwariwa
mudunhu muno zvekuti vasati vamboona vanhu vachirwara vanofunga kuti
pamwe chinotanga pamunhu kufa ozorwara. Kukosora, kupera simba
nekuswera munhu akarara ndiyo yave mbuva yedu yeupenyu. Ini kunyora
tsamba ino ndatoshandisa gumbo rekurudyi ndiri kutorwawo zvekuti kana
simba rekusimudza maoko handina.
̱͵ʹ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Tichaziva here chinonzi mabiko kana kuungana? Kungoda kuungana chete
wotoudzwa kuti matyora mutemo. Zvino isu takakura tichiudzwa nambuya
kuti vana vanyamunhu garai muchiungana. Parufu unganai muchibatana
maoko. Panguva ino tiri kunzi tozoungana kudenga chete kana tafa.
Kuchema vafi hakuchina chiremerera, ukaita zvekutamba unochema wega
mwana wako vanhu vari kudzimba dzavo nekuda kwaiyo COVID iyi.
Mabiko munotoita muri kumba kwenyu asi muri muimba yemukati chaiyo,
zvino anganzi mabiko here kana kuti mabikiranai?
Iko kufunga zvako, zvazvinodai patiri isu vasina zano, ko vakweguri vedu
nevatana vedu vanotii vachiona nyika ichiparara vakatarisa? Handiti
ratongova gangaidza mukwenyi wemhezi yavavira mumoyo! Vanhu vatove
nekushungurudzika mupfungwa zvakanyanya nekuda kwekufa, kurwara uye
kusazotiva magumo edenda iri sezvo riri kuonesa vanhu gehena pano pasi.
Mapenzi awanda emhando dziya dzevanhu vave kufamba vachingotaura
vega. Ko kutaura wega kwatove nanika, ungade kutaura nani iye munhu
wese aneta?
̱͵͵̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
10. KUNYORA MHAN’ARO (KUMHAN’ARA)
̱͵ͷ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
kuchinge kwasviba. Vanenge vave kutoziva kuti apa panogara vanhu
vangani uye vanowanikwa nguva dzipi uye kuti vane midziyo ipi. Ndipo
paunozowana pamba pangove panhandare yebhora yakapera basa kare.
Manotsi
̱͵̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
11. KUNYORA NHAURWA (SIPICHI)
Chekutanga ndiri kunzwa kuti kune vanhu vari kuuya vachinyepa kuti
vatumwa nemutungamiriri wenyika kuzotora mari dzevanhu vari
kutotamburawo zvavo. Vanouya vakahwanda nezita remusangano wevanhu
vachiti vari kutora mari dzemitero, dzezuva rerusununguko rweZimbabwe
kana dzevuva remagamba. Isu tinoti nyika ndeyedu tese saka mukaona
anenge auya achitaura izvi ari kuhwanda nemunwe uye ari kuda kuderedza
uremu hwenyika yedu. Aya mazuva ekuti tifare pamwe tichidya nekunwa
takatambanuka mumoyo yedu. Vanhu ivavo vari kuita huwori vachihwanda
nemukuru wenyika
Mbeu nefetireza tiri kupa vanhu asi unozonzwa dzave ngano dzaTsuro
naGudo kuti vamwe vakanyimwa, zvimwe zvakatorwa nevatungamiriri
vemumatunhu vachinotengesa kana kuzvipa zvakawanda ivo. Ruzhinji
rwunosara rwuchitambura asi isu tichifunga kuti munhu wese awana
rudekaro. Vamwe vari kupanana pachizivano vachinyima vamwe. Zvese tiri
kuzvinzwa uye tiri kukuzivai saka garai makagadzirira kudzosera zvose
zvamakatora musati maenda pasi pemitongo yakaomarara.
̱͵̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Zvekupfeka kungokururirwa nevamwe asi pane paunozonetawoka nekuti iwe
wacho unenge woda kutokururirwawo. Vana vongofamba vakaita kunge
vakapfeka masaga ekutandisa botso kana kuti vakapfeka mbereko.
VanaFreight, Josphat naEunice vave kutogara vakazvivharira mumba
nenyadzi dzekushaya chekupfeka. Vangafambe Seiko ivo vave majaya
nemhandara kudai? Apa ndipo panodikwawo vaya vakapfuma nevaya
vanoisa hembe mumapiro kuti vazivewo kuti kune vari kufamba vakapfeka
makavi.
Anenge arwara ari kutonzi nemidzimu atevere vabereki vake nguva ichipo.
Ko zvipatara zvinobhadharwaka! Pauchati kadhi, makandinzwanani,
yemishonga, yekubvunzwa kuti uri kunzwei wozoti yekunzi ugodzoka
mangwana aaaah iwe zvakoma! Vangawana mari yekupa chipatara chisina
mishonga ivo vachishaya yekuisa chikafu mudumbu? Zviri kunzwisa
urombo, dai zvaibvira vebazi rezveUtano vangoti nherera dzirapwe zvadzo
pachena. Hazvidi kuti uve nherera kumba, nherera kunyika nekudenga
kwese.
̱Ͷͳ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
-hapana zvekuti Ndini wenyu =[I am yours…] unonzwa kuti hazviite kana
kuChirungu, chingoti Wako/ Wenyu =(Yours)…izvi zvinoita izvi
̱Ͷ͵̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
zvaigooneka nepapi iye aipenya ganda achifamba seshoroma? Handiti
vakawanda vaitomurwira, ini ndikati ndaita mhanza ndochiitaka vaNyachide
wake!
Unozviziva here kuti mai vangu vakastroka nekuda kwangu? Zviri pachena
kuti ndini ndatouraya mai vangu. Unozviziva here kuti ndini ndakaisira
Nyamhanza mushonga akapotsa afa because ndaingomuvengera
kunditadzisa kwake kuti tionane naPai...?
̱Ͷͻ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Nyamhanza akabovorera semombe, handizvikanganwi, akanga afa murume
uya, murume wemoyochena, murume wedzidziso inobva pakadzika-dzika
pemoyo. “Ah Tarisai unotyisa iwe!”
̱ͷͲ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
zvayo yainge yacherwa. Hurudza akabata musana, ndokumbobata chiuno apa
achingocheuka-cheuka semunhu ari kuda kuba achitya kuti angaonekwe.
̱ͷͶ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
KUNYORA NZWISISO YAKANAKA
-mubvunzo unoda musoro wenyaya/detembo uri kuda dingindira renyaya
/detembo chete (musoro wacho unogona kuva izwi rimwe, asi
ngasadarikewo mana) apa uri kudzidziswa kupfupisa nyaya wakanangana
nemusoro wayo chete/ uri kudzidziswa kupa mabhuku misoro inokodzera
-verenga nyaya/detembo/tsamba/ngano/mutambo kaviri
-tanga waverenga mibvunzo usati waverenga nyaya
-pindura zvabvunzwa nemubvunzo chete
-mibvunzo inoda tsananguro yendevo sekushandiswa kwadzakaitwa
mundima, ona kuti waisa (muiti nechiitwa) vatambi nezviri kurehwa
nechirevo chacho mundima
-usapedze nguva kukoponora mubvunzo wega wega, nyora nhamba
yemubvunzo nemhinduro chete
-panodiwa chikonzero kana maonero ako, isawo chikonzero chacho,
zvinenge zvichitoreva kuti pane mibvunzo miviri yakabatana
-pamaonero ako hakusi kuti utaure chero zvawataura, nangana nenyaya
yacho wopa zvinoenderana
-zvakanaka kudarikira mutsetse pamhinduro yega yega kuti zvinyatsochena
nekuonekawo
̱ͷͺ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
KUNYORA PFUPISO YAKANAKA
-shandisa mazwi ako
-usapfuudze mazwi akatarwa
-usashandise zvirungamutauro
-gona batanidzo nepatsanuro yemazwi
-mavara ngaanyorwe zvakanaka
-chirevo ngachionekwe muiti nechiitwa
-chirevo ngachive chipfupi (mazwi manomwe akanaka pachirevo chega
chega) 7 x7 =49
-mazita evatambi/nzvimbo anyorwe sezvaari mundima
-pfungwa ngadziyerere semaitikiro azvo munyaya
-nyora muchikamu chimwe chete
-pfupiso haineyi kuti idetembo, mutambo, tsamba kana nyaya shandisa
chikamu chimwe uchinyora senyaya
̱ͷͻ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CHIKAMU 1: MANOTSI EMUTAURO
MAZITA
̱ͳ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Mipanda nemazita anonyanya kushungurudza vana pakuumba.
1a baba Ø- + -baba
Nyamuzuwe Ø- + -Nyamuzuwe
sisi Ø- + -sisi
sekuru Ø- + -sekuru
2a vatete va- + -tete
VaChinemo Va- + -Chinemo
vasahwira va- + -sahwira
2b amai a- + -mai
ambuya a- + -mbuya
5 gudo ri- + -kudo
rize ri- + -ize
zano ri- + -ano
ziso ri- + -iso
6 meso ma- + -iso
meno ma- + -ino
mano ma- + -no
9 imba i- + -mba
9/10 hama (N-) + -kama
9/10 mhururu (N-) + -pururu
9/10 mhuka (N-) + -puka
15 kudya ku- + -dya
kuda ku- + -da
17 kumba ku- + -mba
kure ku- + -re
16 pagomo pa- + -komo
̱ʹ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Chisarudzi: Chivakashure chechisarudzi + dzitsi rechisarudzi
rino ri- + -no
vaye va- + -ye
vaya va- + -ya
kupi ku- + -pi
5. Chirevamwene
Maumbirwo
Chirevamwene: Chiiswa/chiwedzerwa chechirevamwene + nzvovera
inoshanduka (-a-/-e-) + dzitsi rechirevamwene
twababa tw- + -a- + -baba
yangu y- + -a- + -ngu
pegudo p- + -e- + -gudo
Mhando dzezvirevamwene
̱̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
-an- -rov-a -rovana
-anan- -d-a -danana
c) Rebeso yekuitwa
-w- -bat-a -batwa
-iw- -dy-a -dyiwa
-ew- -chekewa
d) Rebeso yenyanyiso
-is- -bat-a -batisa
-es- -sek-a -sekesa
e) Rebeso yekuitika/goneko
-ik- -bat-a -batika
-ek- -chek-a -chekeka
f) Rebeso yemherevedzo
-irir- -sung-a Sungirira
-erer- -sek-a Sekerera
g) Rebeso yedzokororo -dzokorora
-oror- -dzok-a -ongorora
-urur- -on-a -kavurura
h) Rebeso yemamiriro
-am- -komb-a -kombama
-arar- -om-a -omarara
i) Rebeso yewadzano -ung-a -ungana
-an- -sang-a -sangana
j) Rebeso yepfumvunuro
-anur- -sung-a -sungunura
-enur- -pet-a -petenura
-inur- -kiy-a -kiyinura
-onor- -nam-a -namanura
-unur- -rong-a -rongonora
k) Rebeso yekonzero/ yesakiso
-is- -rum-a -rumisa
-es- -rov-a -rovesa
-dz- -rir-a -ridza
-idz- -tung-a -tungidza
-edz- -chem-a -chemedza
-ts- -muk-a -mutsa
̱Ͳ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
-nz- -ond-a -onza
-huy-a / -hunza /
-uy-a -unza
l) Yebatano
-et- -cheng-a -chengeta
-at- -nam-a -namata
ku-bat---a Sekuti:
yekonzero + yekuitwa
ku-bat-is-w-a
ku-bat-is-an-w-a
CHIKAMU 4
Madonzvo ezviito
1. Donzvo rekutuma
Iba bhuku iro Usabe bhuku iro
Gara pasi Usagare pasi
Mhanyai vana Musamhanye vana
Baba huyai Baba musauye pano
2. Donzvo rekuudza
Mbuya vakaenda kumusha
Tichauya mangwana Hatichauyi mangwana
Sekuru vanogara kwaMutoko Sekuru havachagariko
Vana vaigona chikoro ava Vana vaisagona chikoro
Sekuru vafa
̱ͳ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
8. Chidudzirachiito chemaitiro
Anofamba zvinyoro nyoro
Anotaura achikakama
CHIKAMU 7
Dzambiringamunyemba
̱̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CHIKAMU 11
Zvitaridzanguva
CHIKAMU 12
KUPATSANURA CHIITO
̱ͻ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Vanoyema = va-no-yem-a (chitaridzamuiti + chitaridzanguva + mudzi
wechiito + nzvovera yekupedzisira)
CHIKAMU 13
1. –i?
Munomudii mwana uyu?
Unodei pamusha pavo?
2. sei?
Sei muchiti muri madofo?
Unonzwa sei kana ukapasa?
3. -ani?
Vana vaani ava?
Zvinhu zvaani izvi?
4. –pi?
Wamuonepi mwana uyu?
Chingwa changu ndechipi?
5. Chii/chinyi
Chii chauri kuita nhasi?/ chinyi chauri kuita nhasi?
Unoda chii pano? / unoda chinyi pano?
6. here?
Unodzoka here kufomu yechishanu?
Uchapasa Shona here?
7. Hwidzazwi
Mukomana wako?
Wadya nyoka iya?
8. Kuti?
̱ͺͲ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Chiratidzi chepedyo
Chitsigisi + Chiratidzamupanda
i - ri
Chipauro
Chivakashure chechipauro + dzitsi rechipauro
va kuru
Mubvunzo 14
Doma mabasa mashanu ezvirevamwene ugopa mienzaniso yakakodzera
(10)
̱ͻͷ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
ZVINDORI
Mubvunzo 17
Zvindori zvinoumbwa sei muChiShona? (10)
Mhinduro
Chindori chinoumbwa sezvinotevera
Chiwedzerwa chechindori + dzitsi rechindori
Ndi- + -baba
/ndi-/ anobatana nezvisazitasingwi zvose sokuti:
ndini , ndivo, ndicho
Hwidzazwi /H/ inobatana nemazita ose kunze kwe 1a, 2a, 2b, 5, 9, 10
sokuti: kure, chingwa, mazai
/nde-, ndo-/
Inobatana nezvidudziramazita zvese kunze kwezvipauro
ndeuno (chisarudzi)
ndevanorima (chidudziramuiti )
ndeuyu (chiratidzi)
̱ͻͺ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
vatukana -tuk-an- mudzi wakarebeswa
Mubvunzo 21
Verenga zvirevo zviri pazasi ugoburitsa zvinotevera:
i. chiito chakarebeswa
ii. mudzi wacho
iii. rebeso dzacho
iv. mazita erebeso (10)
Mhinduro
Chiito Chakarebeswa Mudzi Rebeso Zita Rerebeso
a) Arohwa - rov- -w- kuitwa
b) Kunodzidziswa -dzidz- -is-,-w- konzero/kuitwa
c) Vakarotswa - rot - -ts-,-w- konzero,kuitwa
d) Rinochekeka -chek- -ek- goneko
e) Akamhanyisa -mhany- -is- nyanyiso
Mubvunzo 22
Uchishandisa chiito /rova/ nyora zvirevo zvine rebeso dzinotevera:
i. Mherevedzo
ii. Sakiso| konzero
iii. Goneko
iv. Kuitira
v. Kuitwa
̱ͳͲͳ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
vi. Kuitwa, konzero nekuitwa
vii. Konzero/ sakiso , kuitirana (10)
Mhinduro
i. Vana vakaroverera chipikiri pamadziro.
ii. Ndoda kurovesa John nemapurisa nokuti aba.
iii. Mwana uyu anoroveka nokuti haana simba.
iv. Baba varovera mai mwana.
v. Mombe yarohwa neshamhu.
vi. Amai varohweswa nababa nemapurisa.
vii. Vana varovesana nemapurisa.
Mubvunzo 23
Patsanura mazwi anotevera mutunhengo twunoaumba ugodoma
twunhengo twacho sokuti : vakaba
va - chiratidzamuiti
-ka - chiratidzanguva
-b - mudzi wechiito
-a nzvovera yokupedzisira
(i) ticharwisana
(ii) varidya (10)
Mhinduro
(i) ti- chiratidzamuiti
-cha - chiratidzanguva
-rw- mudzi wechiito
-is- rebeso yesakiso
-an - rebeso yokuitirana
-a nzvovera yokupedzisira
Kana kupatsanura seizvi wodoma zvipenga zvacho
[ti-cha-rw-is-an-a] izvi zvine mhosho shoma
̱ͳͲʹ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
c) Kutuma
d) Kuita
e) Kuudza
f) nhevedzano
g) Chishuwo
h) Zvanga zvichiitika
i) Dudziramuiti (10)
Mhinduro
a) Ndingabika sadza nhasi.
b) Ngatibikei sadza nhasi revana.
c) Bika sadza izvozvi.
d) Kubika sadza kunonakidza.
e) Vana vabika sadza ramauro.
f) Tadira mvura mupoto ndokubika bota.
g) Uyayi tibike bota.
h) Takawana vachibika sadza.
i) Vakomana vakabika mbodza varohwa.
Mubvunzo 29
Chiito chokuti / rakatsvuka/ chinogona kupinda mumadonzvo mana.
Ndeapi? (4)
Mhinduro
/ Rakatsvuka / rinogona kupinda mumadonzvo anoti:
i)rokuudza
ii)renhevedzano
iii)redudziramuiti
iv)rezvanga zvichiitika
̱ͳͲ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
(b) Ura utete hwunonaka.
̱ͳͳͲ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
ZVIRUNGAMUTAURO
MADIMIKIRA
Mubvunzo 1
Ipa dimikira rakafanana nerawapiwa , sarudza mashanu chete.
i. Kudya moto.
ii. Kubata mwana wengwe .
iii. Kurasa mwoyo.
iv. Kurasa musoro.
v. Kuita bhurugwa nebhandi.
vi. Kugarira badza.
Mhinduro
kudya imbwa /kudya marasha/ kudya magaka mambishi
Mubvunzo 2
Tsanangura kuti madimikira anotevera anodudzira unhu hwupi.
Sarudza mashanu.
̱ͳͳͳ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
NYAUDZOSINGWI
Mubvunzo 15
Tsanangura zvinoreva nyaudzosingwi dzinotevera. Sarudza shanu chete.
i. mwiro
ii. kwetsu
iii. gadya
iv. gwa
v. nyakata
vi. nga
Mhnduro
i. Kunyarara
ii. Kuridza mhere
iii. Kumedza
iv. Kuoma
v. Kunyorova
vi. Kusunga
Mubvunzo 16
Isa nyaudzosingwi dzinotevera mumhando yadzo.
fambe
kukurigo
zvi –i
shonyororo
gwa gwa gwa
Mhinduro
Yakabva muzviito
Inobva kumaririro
Ine chivakazwi chimwe
Ine mavara okupedzisira akadzokororwa
Nyaudzosingwi yakadzokororwa
̱ͳʹͲ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Mubvunzo 3
a. Ukasvika parufu unotaudza vari parufu uchitii? (2)
b. Ivo vanotarisirwa kupindura vachitii ? (1)
c. Pazvarwa mwana mucheche unotaudza vabatsirwa uchitii? (2)
d. Ivo vanotarisirwa kupindura vachitii? (1)
e. Wambomhorosana nemunhu mosanganazve pasina nguva refu
mambomhorosana unomumhorosa uchiti kudii? (2)
Mhinduro
a. Nedzoi, nematambudziko, nenhamo, nedzinonetsa.
b. Aonekwa, dzaonekwa.
c. Nemakorokoto.
d. Ndeedu tose.
e. Pachipamwe
Mubvunzo 4
(a) Doma maga anowanikwa mumusambo wechisahwira
(b) Musambo uyu wakanakirei?
Mhinduro
(a)
Havashandisirirani mutupo nezvidawo.
Vanotarisana kumeso kana kuti havanyarani.
Vanotaurirana chokwadi nyange chichirwadza sei.
Vanosekedzana kana kuita jee vose.
Hauna ruremekedzo, vanodeedzana nechisazitasingwi, “ Iwe” sokuti :“, I
we wapedza hama”.
(b)
Kuvigirana vafi.
Kubatsirwa mumatambudziko.
Kupanana mazano.
Kutandadzana nokuita majee.
̱ͳʹͶ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
mari yakakwana yebhodhingi, ndine vana vaviri.
Ndakakwanisa kubhadharira mukuru ari kuBenzi High
School. Yenyu ndozopedzisa mwedzi unouya. Vana
vandiwandira.
Question
a) Musambo waitaurwa apa ndoupi? (2)
b) Gadzirisa nhaurwa yekutanga yemukuru wechikoro kuti ive ine unhu
hwakanaka. (2)
c) Buritsa zvirevo zvina zvinotaridza kuti mukuru wechikoro anga asina
unhu hwaparunhare hwakanaka. (4)
d) Ndaapi mazwi anotaridza kuti mubereki apererwa nemaitiro emukuru
wechikoro parunhare.? (2)
Mhinduro:
a) Chinyarikani
b) Hallo.Makadii, Pfupiso High School. Ndingakubatsirai nei?
Munodei?
̱ͳʹ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com