You are on page 1of 47

For more Info

About this book:


Visit Dingani Office:
103 R G Mugabe
At C Gauche Shop 5,
Bulawayo

+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery


+263777896159 Www.dinganibookshop.com
ZVIRI MUKATI

Dendavabatsiri …………………………………………………… 3

Kumikidzo ………………………………………………………… 4

Zvimiro zvepepa 1 ne2 zveShona Language ……………………… 5

Shona Language Paper 1 ………………………………………… 6

Mhando dzeRondedzero: Mibvunzo nemhinduro …………….. 7

Nzwisiso nePfupiso: Mibvunzo nemhinduro ………………… 44

Manotsi eRondedzero, Nzwisiso nePfupiso …………………….. 57

Shona Language Paper 2 ……………………………………….. 60

Manotsi emutauro wese ……………………………………….. 61

Manotsi eMisambo …………………………………………… 82

Mutauro: Mibvunzo nemhinduro……………………………… 85

Zvirungamutauro: Mibvunzo nemhinduro ……………………. 111

Misambo: Mibvunzo nemhinduro …………………………….. 125

̱ʹ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
DENDAVABATSIRI

VeDingani Publishers vanopa rutendo rukuru kune vanyori vegwaro rino


VaChinemo P naVaMaveza W. Rutendo rukuru rwunoenda zvakare kune
veCDTS (Curriculum Development and Technical Services) nekuuchika
gwaro rino kuti ritsetseke. Rutendo rukuru runoenda zvakare kuna
VaChinemo P mukuongorora, kupepeta nekunhadzurudza chinyorwa chino
kuti chive chinogamuchirika. Kune vamwe vakatsaukana vakabatsira zvikuru
kuti chivepo chinyorwa chino, rambai muchisinina simba risingatuvidzwi.

vanyori

Chinemo P: Manotsi emutauro nemusambo

Rondedzero, Nzwisiso nePfupiso

W Maveza: Mibvunzo nemhinduro yemutauro, zvirungamutauro


nemusambo

̱͵̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
KUMIKIDZO

Bhuku rino imbuva kuvadzidzi nevadzidzisi vanhasi namangwana padanho


refomu 1 kusvika fomu 4. Rinoshanda zvakanyanya kune avo vanoda
kukurumidza kubata chidzidzo nepadiki, richidzumbunura chidzidzo chacho
kuburikidza nemanotsi, mibvunzo nemhinduro.

̱Ͷ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
DURA

Bhuku rino rinodzumbunura Shona Language Paper 1 ne 2 yacho zvizere:

Shona language Paper 1: Mhando dzerondedzero, nzwisiso nepfupiso

Mibvunzo nemhinduro

Manotsi

Shona language Paper 2: Zvirungamutauro, Musambo neMutauro

Mibvunzo nemhinduro

Manotsi

̱ͷ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
SHONA LANGUAGE PAPER 1: FOMU 4

Rondedzero (50)
Nzwisiso (20)
Pfupiso (10)

̱͸̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
sechitsvikidzvororo achidzvova-dzvova sevakuru vesango. Vakuru vaiona
vaizongopedzisira vatomakanda mapfumo acho pasi vachingoti kwainge
kwoitwa nerume iri kudziirwa senyuchi dziri mumukoko. Vamwewo ndivo
vaingoti ndezvemeso kuitira kuti muromo ugowana runyararo sekumarinda.

Chero zvazvo chikuriri chine chacho hapana aizogona kuva muzadzisi


wechikuriri cherume rainzi VaFunu. Chikomo chamusinzwi chakazoguma
zvacho chava muna taisireva asi hapana aimbozvifunga sezvo kwaingova
kugara kwazvo mundangariro dzevanhu vese. Vanhu vakaenderera mberi
nekurohwa sezvinonzi pakanga paine nhapwa. Chokwadi dzvinyu kuzambira
zuva huona bako. Zirume iri raitovimba neumhumhu hwaraive nahwo.

Amai vake nyakutumbura vakamubairawo zanhi ndipo paaibva angotanga


kugutsirira senhemhe yechirauro chiri kudyira nezimuramba rakakura. Asi
chokwadi kwaingova kutaura wega sebenzi mwedzi uri mutete. Kana
nevabereki vake vaitomuteta nekuti zirume iri raiti kana richiuya raiita
serinoenda uye kana richienda raiita serinouya. Amubaira zanhi kana asiri
weukama aitozotariswa neziso raive rakati kovo semhiripiri yakaibvisa.
Ndipo paaizogara akati kwati kwati newe achironga zvekukuendesa
kwakaenda Nehanda, Chaminuka naNyatsimba Mutota. Ipo pasi petsoka
nemukati memaoko zvainge zvisina musiyano zvekuti aizoti akakupa mbama
yacho ndiwe waizotaura chakatadzisa imbwa kuseka asi kunyenama
ichigona. Paaizoti mha senhunzi iri pandove hapana aizombosvikapo sezvo
vanhu vaingoona chikara chesango pamberi pavo. Zvaizomutuma kuti
azvipembedze sezvinonzi akanga akazvisika ega pasina Musikavanhu
zvachose.

Vanhu vakaenderera mberi nehana nhete dzavo dzaivatuma kuva


neumbwende chaizvo. VaFunu vakanga vava kuzozvisikira moto muziso
sezvo vamwe vaizorwara zvichizopedzisira zvavasiyisa nyemba vakananga
kwamupfiganebwe. Vakuru vaizongopedzisira voti zvava kwaari kufuka
kana kuwarira nekuti vakanga vakapedza kusakura nekuzunza zvese.
Chokwadi chingoma kana choririsa chinenge choda kuparuka. Apa vagari
nevapfuuri kunzvimbo iyi vaingodzokorora mashoko aya nekuona zirume iri
richiita ndambirire yechembere yaraira muto wegwaya. Dunhu rese rakanga
rotoshaya mufaro unenge weruzhinji rwemamwe matunhu akanga akavakuta
mumativi mana enyika.

̱ͺ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Kuzoti tichiti ngori muna Chivabvu vanhu vose vakaona kuti tsuro haipone
murutsva kaviri asi kamwe chete. VaFunu vakazozvambaradza mai vavo
nyakutumbura nekuti vakanga vangomurumawo nzeve chete kuti asiyane
netsika yake yekuzviita Nyadega kuranga nevaroyi vose. Vakasara vakati
rabada kwakadaro sematanda akangopotserwa zvemvengemvenge. Vanhu
vakambozama chipatara asi zvakakona vana chiremba nen’anga asi murapwa
achida. Vakazopedzisira nekuenda kumaporofita asi kwaingova kupedza
nguva kuedza kuisa makumbo muhomwe. Vechikuru vemunharaunda vaibva
vazongoti iyi ndiyo inonzi ngozi pachezvayo. VaFunu vakazombotanga
vachiita nharo asi zvakazobuda pachena kuti muromo wevakuru ungawire
zvawo mugungwa kwete kuwira pasi. Amai vake vakazofa.

Nechinguva chisipi zvakazoita sekudaro pasina kudaro kwacho. Waingoona


murume mukuru ava kufamba achimonera masaga idzo mbatya
dzichirasirwa kwakadaro. Zvakanga zvave kuonekwa pachena kuti gona ana
gona wake. VaFunu vakanga vagonekwa nengozi yekuuraya amai. Murume
uya akatanga kukwangwaya achidya nhoko dzezvironda achipenga. Kuzoti
mwedzi uri mutete ndipo paaibva atonyanya kumhanya bani. Vechikuru
ndivo vaibva vangopfuura nepaari vachiti gunde repwa rinonaka asi hariiswi
mudura. Zirume iri rainakidzwa nezvinhu zvaizopedzisira zvomupinza muna
taisireva asi zvisingaunganidzwi seupfumi kana kuiswa mudura. Aitova
ndambakuudzwa ndokusaka vanhu vakazomuona ava nayo mbonje yacho
pahuma. Zvino akazozviisa mudura here zveumonya zvaainakirwa nazvo?

Manotsi

-ziva zvinoreva tsumo yacho usati wasarudza mubvunzo uyu


-kana usingazivi zvinoreva tsumo yacho tsvaga mumwe mubvunzo
waunonzwisisa zviri nani
-nyaya ngairungwe nezvirungamutauro
-nyaya ngaive neudzamu hwekutaridza kuti wave damho refomu yechina
kana kudarika
-nyaya ngaive imwe chete kwete kuisa nyaya mbiri kana nhatu

̱ͻ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Handiti munenge matouraya nevamwe varwere vaanga
acharapa vakatopona? Mabasa anosara asina vanhu aya!
Nyika inogwadama pasi chaipo makatarisa igotanga
kukambaira sendumurwa chaiyo!
Chenai: Dzimwe nyika vakuru venyika nevatungamiriri vemapazi
akasiyana-siyana vari kubira nyika yose vanhu vachifa
nenhamho ivo vachizvipfumisa. Zvino kana nyika yose yofa
nenhamo zvakaipei kuuraya vanoba kuti vanhu vazive kuti
nyika vanhu?
Tendai: Kuzvara kunorwadza uku! Mwedzi mipfumbamwe
wakatakura saga renyemba! Vanamai vese vangasafa here
muchiuraya vana vavo?
Chenai: Ziya rinorwadza kuteura uchizvishandira, zvongobiwa nezuva
rimwe! Pamwe panotoitwa makore kwete mwedzi
mipfumbamwe kuti hupfumi huungane. Pakadaro wonzwa
kuti mbavha rarama ichiraramirei?
Tendai: Zvino mbavha zhinji zvadziri dzechirume tigosiya nyika yese
yave nechirikadzi? Ummm isu varume tichiri kuvada
zveulesbian hatingazvigoni uye zvekutogara vakadzi vega
hatizvidi.
Chenai: Shamwari hurumende chaiyo iri kuuraya vanhu nekushaisa
mishonga muzvipatara umu, vanachiremba vari kusiya vanhu
vachifa ivo vari kustrike saka wotyira kuuraiwa kwembavha
ivo vanhu vasvinu vachifa?
Tendai: Nyika haisi kupa vanhu mabasa. Vamwe vatori nezvikonzero
zvisvinu zviri kuita kuti vabe uye vakwanise kuraramisa
mhuri dzavo. Ikodzero yemunhu kuti kana adzidza uye akura
awaniswe basa nenyika yake. Kana yatadza kumupa basa
ngaimuchengete. Zvino vodii havo? Regai vabe vararamewo.
Hatingaurayi munhu ari kutoshungurudzwawo nenyika yake.
Chenai: Ikodzero yemunhu wese kuzviunganidzira upfumi uye
ikodzero yemunhu kuzvishandisira zvinhu zvake pasina
vanomubira kana kumusveta simba!
Tendai: Ikodzero yemunhu wese kuva neupenyu nekurarama
pamadiro, hapana kodzero yekuuraiwa kwemunhu.
Chinorwadza imimi munonovaka mazimba enyu mumakomo

̱ͳʹ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
mudhorobha umu! Hamudi kushanyirwa kana nehama zvayo.
Pedzezvo hamupi varombo vacho asi muchitenga nyama
yekupa imbwa dzenyu. Imbwa dzacho dzichitogara mumba
nemi asi vanhu musingadi kuvaona! Vokubirai zvenyu moti
vakashata?

Chenai naTendai vakatatsurana semachongwe ari kurwira kutseketsa asi


zvakashaya chimuko. Kwaingovewo kuedza mhanza kutumburana minzwa
yepamboni yeziso, zvaingozogumira mukutarisana, kureva kuti rainge raita
gangaidza zvakare semota ramera pakati pemagaro. Ko ndivo vaizogona
kuakwesha man’a emuziso, iye mukuru wenyika akange akanda mapfumo,
uta nemiseve zvese pasi?

Manotsi
-gona kuva vanhu vaviri nguva imwe chete (kuva imbwa nekuva tsuro)
-hapana nguva yekukwazisana apa, kukwazisana hakuna zvibodzwa nekuti
unenge usati watanga kupindura mubvunzo
-chitotanga nepfungwa yacho iri kudiwa sezvaitwa umu, kwete kumbozeya
-nhanganyaya ichingopera darika mutsara
-mutumbi wako ngauve mumwe chete, hapana kudarikira mutsara nekuti
vanhu vari kutaurirana panguva iyoyo saka hapana kuzorora
-mazita evatambi vako ngaapinde mukati kwete kunze kwemutaro
wekuruboshwe uya (majini)
-zita remunhu richingopera isa koroni (:) kutaridza kuti ndiye ave kutaura
-mazita ngaanangane achidzika, uye kudivi remazita ikoko kusawane
chimwe chinonyorwa
-mutambi wega wega paari kupindura ngaapindure nepfungwa itsva kwete
kuzeya papfungwa yataurwa kare (zvibodzwa zviri papfungwa itsva yega
yega)
-kana mutumbi wapera darikira mutsara, wonyora mhedziso

NB: Iyi irondedzero yakapusa chose kana uchigona kuva mutongi


nemutongwi panguva imwe chete

̱ͳ͵̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Ngozi ine zvayakanakirawo zvainodzidzisa kuvanhu kunyangwe
ichishungurudza zvayo. Kana dzava nyaya dzekuurayana vanhu vanofanira
kuziva kukosha kweupenyu hwemunhu. Munhu akafunga kuuraya anobva
atondera ngozi obva arega kuuraya kwacho.

Ngozi inova yakanaka zvekare nekuti inopedza ronda rinenge riri pamoyo
pemunhu anenge atadzirwa. Atadzirwa anosunungurwa moyo kana achinge
apihwa muripo waanenge achida zvomene. Inopedzisirawo yaita kuti vaizive
nekuda kwezvainenge ichiita izvo zvinozoita kuti vazive kutya kuurayana
kana kutadzirana.

Munhu anenge aripa ngozi haafanire kuzozvipamha nekuti ngozi yacho


inozodzoka yava njonjoda, chamakuvangu rambakupetwa chitateguru
chengozi iyo inogona kuzourayisa vazhinji vanenge vasina mhosva. Saka
vakuru vaiti mushonga wengozi kuiripa, vakange vaona chamutavanhava
chinotambiswa vanhu nengozi.

Manotsi

-ziva izwi racho zvarinoreva (ndizvo zvemunhanganyaya)

-zvazvinoshanda/ mhando /zvazvakanakira

-zvazvakaipira

Zvingaitwe kusimudzira (kana chiri chinhu kana tsika yakanaka)

Zvingaitwe kuderedza/ kupedza (kana chiri chinhu kana tsika yakaipa)

-maonero ako (mumhedziso)

̱ͳ͸̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
4. RONDEDZERO YETSUMO

Chinonzi regera ndochiri mumaoko chiri pamoyo unofa nacho

Kutaura chokwadi anenge atokanga nyimo anenge atovangarara. Sanzu kana


ratozvuviwa rinenge ratoenda pamwe chete nemashizha aro sezvo anenge ari
pariri. Tafadzwa akanga atofunga kumisa imba nechivhundutsapwere
chemubhuku mavo mavaigara vese. Ihwo hupukatipemwenje hwaShamiso
ndihwo hwakanga hwamuvaima semheni zvekuzosvika pakushayira Shamiso
hope zuva nezuva. Inga dai moyo waikura nekufunga chisvokosvamoyo,
Tafadzwa aigona kuva nemoyo wakapfuura umhumhu hwake.

Kwakanga kwava kuda kwemoyo zamhu kumera pambabvu, asi ruzhinji


rwaitokanuka nekupofomara kwerujaya urwu. Akazotanga kufunga kuti
chidembo hachaifanirwa kuvhiirwa paive paine ruzhinji rwevanhu. Tafadzwa
akanga atovhiya chidembo paruzhinji vanhu vakabva vanhuwirwa.
Mundangariro dzake maingova nepfungwa yekuti agamhina afamba
hazvienzane natigere nekuti akanga aedza. Aingoti akaona mufananidzo
wemudiwa wake pamberi pfungwa dzese idzi dzaibva dzati dzvamu nekuti
ware dzichimutiza.

Chimhandara chake chaisagona naTafadzwa sezvo aingozvisimbaradza


nekuva zingizi rakagonyera pamwe nekuda maruva enyika anova asingapere.
Kaitova kashiri kasingapambare. Shamiso akange atotarisira muchato asi
zvakanga zvakutokona n’anga murapwa wacho achida. Mudiwa wake aida
kutanga ambodzamisa pfungwa sezvo akanga ava chisekwa chevamwe. Aiti
akatarisa mudiwa wake akanga asingaone mahobi anenge ehoromba zvekuti
kana kuchinaya mvura yaisatotesa maziso.

Shamiso akanga otoona sepaiitwa chinono secheingwe asi aitoda kuitirwa


chimbi chimbi sebere rinodya richifamba. Akanga otorota iye achibika
Tafadzwa achibva kunovhima semudzimba chaiye. Chimhandara chaitoenda
kunochera mvura kasingapere achitarisira kuti rujaya kungoitawo
musengabere zvawo nekungoonawo dzakawira mutswanda. Maziso
aShamiso aiita seachadonha akakotama ndiwo aipa chiedza kuna Tafadzwa
semwedzi wechirimo. Tafadzwa aingoti kuita mahwekwe
nechisvokosvamoyo chake aibva atanga kurwerwa rute sebere raona chidya

̱ͳ͹̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
chemhara chichidonha-donha ropa. Ndipo paibva paonekwa kudanana
kwevaviri kwese.

Vanasahwira vake vaizoda kutomutsiura asi aitoramba akaomesa gotsi chete.


Chaaingoziva chete ndechekuti hakuna nzou yakamboremerwa nenyanga
dzayo. Chaaizofarira ndechekuti vakanga vasina kudambura mbereko.
Vakanga vatokombora sezvo akanga ava nepakewo paaizonongedza kuti
ndepake. Pakatora makore maviri vanhu vachiseka sevachabvaruka miromo
asi iye aitofara seachabata denga rechinomwe. Vamwewo ndivo vaizomuti
Shamiso aitombodyiwawo nevedzvinyu risina gushe asi iye chaaingoda
kukwenenzverwa kwemudiwa wake musikavanhu vachada semaonero ake
aaiita.

Kudya nhoko dzezvironda kwaiva nane pane kurasikirwa netsvarakadenga


yake. Aidaro nekuti kwavakanga vabvira vachipengesana rudo rwavo kwaive
kure. Tsvarakadenga dzimwe dzakatokanda uta pasi nekuona mukomana
akaisvonaka achivasiya achitora chipukatipemwenje. Vaingoti pamwe
akadyiswa asingaone sebofu. Vamwe vasikana vakatanga kuenda nerweseri
kuna Tafadzwa vachinyepa kuti Shamiso akanga opengesana nemamwe
majaya asi zvaitovabvisisa chiri kumeso nekuti iye chaaida ndiShamiso
chete. Tsvarakadenga yake yakamboitwa seizvozvi asi iye arumira rundebvu
pana Tafadzwa nekuti aivimba naye chero zvakaoma kunge dombo riye
reparuware sei.

Kuzoti ngori kupinda mugore rakazotevera, vaviri ava vakazosimudza imba


vese pasina chikoneso. Zvakabva zvazoita kuti veshanje vaite sevachaputika
pachipfuva negodo neshanje. Misodzi yeropa ndiyo yakanga yoeredzwa
sekarwizi nekuona zvemandorokwati izvi. Vemakore ndivo vakabva
vapedzerwa nekuti chinonzi regera ndechiri mumaoko chiri pamoyo
ndechekufa nacho. Tafadzwa akanga azvipira kuita zvakanga zvadiwa
nemoyo wake sezvo chidamoyo hamba yakada makwati asi iye akanga ada
Shamiso kwete makwati kunyangwe zvakanga zvakaoma.

Nekungwara kwake samagen’a nekugara akamisa nzeve kuti


ngwangwangwa aigara akateerera zvine udzamu kuti zvigofamba zvakanaka
nemhuri yake. Mahobhi seehoromba aye akazotanga kumashaya sezvo
vakanga vatojairana vachigara sasekuru naambuya vachembedzana zvavo
kwemakore makumi maviri kana matatu neanoraudzira. Kuzoti mwedzi

̱ͳͺ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
waNdira waenda kumawere mudzimai waTafadzwa akabva aponeswa
nekamwana kashava uye kaive kamukomana. Izvi zvakabva zvabuda
pachena kuti Tafadzwa aida Shamiso kupinda vamwe vese vemativi mana
enyika. Vanhu vese vakabva vapedzisira nekuoma mate mukanwa, kana
nemumhino makaomawo. Akaramba akarovera moyo padombo kuda kutora
Shamiso kumuita mutsigiri wepamba pake kunyangwe aive
chivhundutsapwere chaicho.

Regai vemakore vachizoti chinonzi regera ndicho chiri mumaoko chiri


pamayo ndechekufa nacho. Tafadzwa akanga atofunga zvekufa naShamiso
aiva pamoyo pake kusvika narinhi.

̱ͳͻ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
5. RONDEDZERO YEMAZWI AKATAPWA (mazwi ekutanga nawo)

Rondedzero inotanga nemazwi anoti “Kubva musi uyu handina kubvira


ndakada kufamba usiku zvakare…”

Kubva musi uyu handina kuda kubvira ndakada kufamba usiku zvakare
nekuti ndakanga ndazvionera ndega saThomas, kwete zviya zveruwanzwa-
wanzwa kuti nzou dzakapera nemariva. Ndipo paya pekuti munhu akakuti
kune mari enda iwe unoramba mari yacho zvese nemunhu wacho kweupenyu
hwese. Kuti nditi zvaive zvemanyepo ekunyikadzimu emunhu arara
akagutisa nyemba nenyimo zvakasangana, ummm imi nanhasi moyo wangu
unoti tana kuramba.

Zvinzeve zvangu kuti kwangwangwa sezvatsuro magen’a kunge sezvinonzi


pane chikara chiya Nyamuzihwa. Muviri wangu wainge wopindwa
nekachando uyezve kaichingamidzwa nemaungira aibva
nechekumaodzanyemba. Izvi zviri mubishi kuitika, ndakakatyamadzwa
nekuona ndiri mudumbu merima. Ndakambofunga kuti pamwe ndakanga
ndaita bofu sezvo taingonzwawo kuti kufa kwebofu kwakatanga nemeso, asi
kwete kwaingovawo kumedzwa nerima sembudzi yamedzwa neshato. Ko
handiti yaive tsika yangu kupererekedza vanasikana kusvika tayambuka
kakova kaidira muna Zambezi kainzi Mutorahuku! Apa imo muna Zambezi
ndimo mumusha mevakuru vemasango. Nyangwe ndaitsiudzwa zvangu
nenyaya yekufamba usiku iyi asi ndaitove rambakupetwa hembe yedanda.

Nechinguva chiriporipocho ndakatsvanzvadzira parutivi rwerudyi ndokuona


ndangobata rutsvimbo rwaitsvedzerera semuramba. Kunyangwe zvazvo
ndaive hamburamakaka yerume, ndaitovawo neumbwende hunenge
hwerujaya runotiza kiti yapinda nepakati pemakumbo. Misodzi ndipo
payakatanga kungoti mokoto mokoto sekarwizi kari kuyerera zvishoma
nezvishoma. Ndakazongoruma rundebvu pamwe nekurovera moyo padombo
ndichingotsvanzvadzira sebofu rarasika kwarinoenda.

Ndakazongoona kuti kwandakanga ndonanga pakanga pasina.


Ndakapfugama pasi ndichipira kuvadzimu sezvo ndaifunga kuti pamwe vari
kumhepo vakanga votsutsumwa. Ndiri mubishi mekuita izvi
ndakangoerekana ndaita mahwekwe nashumba Nyamuzihwa chaivo
vandaingonzwa. Mongo wese wakambopera ndokungoti rukutu ndiye pasi

̱ʹͲ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
7. RONDEDZERO YEMASHOKO AKATAPWA (mashoko ekupedzisa
nawo)

Nyaya inopera nemazwi anoti, “Ndiko kuita kwenyu uku, vana


munogumbura”

Zviya zvekuita hwagonzo nechin’ai raive dambe. Vaigozozvizivira kupi


vanaCharity naTonderai vaiita tsika nditsikewo? Vananyakutumbura vavo
vaigarovaruma nzeve nezveusahwira asi keduwo Tonderai kaiva kaya
kekupangwa zano kaine rakowo muhombodo. Charity aiva akaumbwa
pameso Musikavanhu vachada. Vamwe vaiita sevachadambuka chipfuva
neshanje vachiudza Tonderai kuti akanga avangarara nenyimo dzaakanga
akakanga. Hamburamakaka yemukomana iyi yaizovaudza kuti muto
wetsenza ndoumwe saka shamwari dzakafanana.

Vachizongoti ngori kupinda makeyi vana vakanga vave kune chimwe


chinhambwe. Ipapo vaifamba nekamusoro kenyaya vaviri vaviri wechitatu
muzvinaguhwa. Paiti pakawana anomutokonyera Charity, Tonderai aiita
kupupira sederere raiswa gowa pachoto. Ipapo maziso ake aibva awedzera
kubwada sebwoni remombe rapindwa nechikwekwe. Ipapo vanhu chokwadi
vakazongoona kuti mbudzi yafura mumera yatorunza. Vaiti kana paine
chavaida kuita vaingoita fungiramumoyo rwendo rwembwa. Tonderai zviya
zvekupanga mazano zvakazongopedzisira zvava zvepasichigare pamwe
nekutungana kwembudzi. Charity akanga atoonekwa samambokadzi saka iye
aibva atoti moyo wemukuru indove yedzvinyu.

Tonderaiwo akazongoomawo mate mukanwa netwumari twaiva naCharity


ndokuramba zvekumedza mabhii ndokubva angokanda miseve pasi zvese
negano racho. Akanga otoona seakacheka ukama nekudya nhoko
dzezvironda apa ndivo vaitova vedzvinyu risina gushe mudunhu ravo
reMurewa. Akanga ava kutozviona sechitakuradzimbabwe nekuda kwesimbi
dzaakanga osimudza dzakaita kuti aite twunyama twunenge katsapo
kegorosi.

Nechinguvawo chiriporipocho akazoita mhanza ndokuwana basa pamba


panaCharity. Chaasina kuzoziva ndechekuti gotsi rutsito. Vagari vepamba
pavo vakazosara vachimuseura gotsi nezveuipi hwekufungira mumoyo
rwendo rwembwa kwaakanga aita. Vamwewo ndivo vaizongoti benzi

̱ʹ͹̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
9. TSAMBA YEBASA

Nyora tsamba kumukuru wezvebazi reutano mudunhu menyu


uchimuudza matambudziko akaunzwa nedenda reCOVID-19

Matubu Secondary School


Post Office Box 100
Mutoko

12 Ndira 2021

Mukuru wezveUtano
Musami Hospital
Post Office Box 120
Mutoko

Vanodiwa Changamire

DONZVO: Matambudziko aunzwa nechirwere cheCOVID-19 mudunhu


medu maMutoko

Kutaura kuno kudai takatomira pamutsetse wekutora chimwe chitunha


pakambani yeNyaradzo. Moyo yedu yakatakura svinga remisodzi yadai
kuperera muhapwa seziya remuchando. Chirwere ichi chaunza kufa nekufa
kusina mugumo mudunhu medu zvekuti hatisisiri kuchema asi kuti tave
kungoti maihweee pasina kana musodzi uri kubuda. Vamwe vanoti kwavo
kuri kufiwa asi kuno tiri kuita murakatira.

Kana iri nyaya yekurwara chete hatichatauri, pane pekuti munoti mhuri yave
ndonda asi mozoona kuti mhuri yave nemakuva mapenyu. Muri kurwariwa
mudunhu muno zvekuti vasati vamboona vanhu vachirwara vanofunga kuti
pamwe chinotanga pamunhu kufa ozorwara. Kukosora, kupera simba
nekuswera munhu akarara ndiyo yave mbuva yedu yeupenyu. Ini kunyora
tsamba ino ndatoshandisa gumbo rekurudyi ndiri kutorwawo zvekuti kana
simba rekusimudza maoko handina.

̱͵ʹ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Tichaziva here chinonzi mabiko kana kuungana? Kungoda kuungana chete
wotoudzwa kuti matyora mutemo. Zvino isu takakura tichiudzwa nambuya
kuti vana vanyamunhu garai muchiungana. Parufu unganai muchibatana
maoko. Panguva ino tiri kunzi tozoungana kudenga chete kana tafa.
Kuchema vafi hakuchina chiremerera, ukaita zvekutamba unochema wega
mwana wako vanhu vari kudzimba dzavo nekuda kwaiyo COVID iyi.
Mabiko munotoita muri kumba kwenyu asi muri muimba yemukati chaiyo,
zvino anganzi mabiko here kana kuti mabikiranai?

Iko kufunga zvako, zvazvinodai patiri isu vasina zano, ko vakweguri vedu
nevatana vedu vanotii vachiona nyika ichiparara vakatarisa? Handiti
ratongova gangaidza mukwenyi wemhezi yavavira mumoyo! Vanhu vatove
nekushungurudzika mupfungwa zvakanyanya nekuda kwekufa, kurwara uye
kusazotiva magumo edenda iri sezvo riri kuonesa vanhu gehena pano pasi.
Mapenzi awanda emhando dziya dzevanhu vave kufamba vachingotaura
vega. Ko kutaura wega kwatove nanika, ungade kutaura nani iye munhu
wese aneta?

Kuziya nenzara iyo nyika yakashongedzwa nemabasa ndiko kwave


kutotishaisa mufaro. Vanhu havasi kuenda kumabasa nekuda kwedenda iri
izvo zvakonzera vaya vakaita sesu tinorarama nekudaidzira michovha
tichipiwa mari tiswere takakomba zvoto. Avawo vanamai Fambidzanai
zvemisika zvakatomira kuti tsvii semvura yeguvi isati yadeurwa. Mhuri
dzavo dzinodyei kunze kwekudya zvironda zvemakonzo nemapete?

Mabasa evamwe akatopera nekuda kwedenda iri. Ko kungashandika sei iko


kuchinzi hakudiwi varwere? Mamwe makambani akatovhara zvachose
zvekuti vaimbove vashandi vave nherera dzekutanga munharaunda medu
umu. Vamwe vakangoudzwa kuti tichakudaidzai asi nanhasi vave
kutodaidzwa nenhamo ivo varidzi vemakambani variko.

Uterera hunouya huchinyangira seushe huri kunyanga dera. Taimbozviziva


here kuti nherera dzinowanda kukunda miti yakadyarwa naMusikavanhu?
Musha wega wega wangova nendumurwa nekuti denda iri riri kunyanya
kutora vacho vanozviti ndivo vakatanga kuona zuva. Zvino misha
yashongedzwa nenherera dzisina vachegeti. Zvino ukabva padanho
reunherera kureva kuti watove kuenda padanho rekutetereka nenyika
masikati machena.

̱͵͵̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
10. KUNYORA MHAN’ARO (KUMHAN’ARA)

Nyora mhan’aro yeumbavha huri kuitwa panzvimbo yekutenga


nekutengeserana mudunhu menyu.

Kuna: Mukuru wemapurisa Bhora Police Station


Zuva: 16 Kukadzi 2021
Musoro: Kubiwa kuri kuitwa munharaunda yekwaBhora
Kubva kuna: Chimuti Kirisitini mudzidzi paHovo Secondary School

Ini semudzidzi wepaHovo Secondary School ndaona zvikukutu,


zvinodzimba nekunyandura moyo ipo pano paBhora. Kana iri nyaya
yeumbavha iyi inotoda kuti vanhu vatombonyikwa musowe ramadzibaba
Manuwere kuti vacheneswe.

Vanhu vanobva kuHarare nemichovha kunyanya twumota twerudzi


rweHonda Fit utwo twunongokwana pese pese kunge mhepo. Vanouya
sevanoda kutenga vosvikopaka zvavo panonwira voruzhinji pabhawa paHot
Property paya pamunongonzwa nembiri yekunzi Batai Mwana. Ipapo
vanenge vachinyepedzera kunge vanonwa zvavo ivo vachiongorora kuti pane
makava, shumba nenyati ngani uye kuti zvinogara sei. Kana kwasviba
zvenguva dzepakati peusiku ndipo pavanobvuta mari dzevanhu votiza
vakananga kuguta reHarare.

Vamwe vari kuuya nepfambi dzavo vachiita sevanonwa hwahwa kusvika


kwasviba zvekare. Vakadzi ava ndivo vanoshandiswa kutsvaga mikono iyo
yavanozopinda nayo mudzimba dzekuseri. Kudzimba dzekuseri uku
vanozovhevhetedzwa kuenda kana kudzimba chaidzo dzinogara mikono
yavanenge vatorana nayo iyi. Ndipo pavanozoburitsirwa pfuti votorerwa
mbatya dzese nemari yavanenge vainayo kusiya vave mupushu. Vakadzi ava
vanenge vachitotaura nevarume vavo vavanenge vauya navo vaya zvekuti
pavanozotora zvese zvavanoda vanenge vatomirirwa nemotokari dzavo
panze kare. Vanobva vaita miseve vakananga kuguta reHarare.

Vamwewo ndivo vari kunyepera kunge vanogadzira midziyo yemumba


yakafa yakaita sezvivhitivhiti, magetsi kana mapombi emvura. Iyi inenge iri
nzira yekuongorora pagere vanhu kuti vagouya voita hwegondo kana

̱͵ͷ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
kuchinge kwasviba. Vanenge vave kutoziva kuti apa panogara vanhu
vangani uye vanowanikwa nguva dzipi uye kuti vane midziyo ipi. Ndipo
paunozowana pamba pangove panhandare yebhora yakapera basa kare.

Ukarara nezamu mukanwa unogona kutengeserwa mabhokisi ane matombo


kana zvimiti chaizvo. Vanouya nemazimotokari sevanotengesa mazai
nemabhisikitsi. Pamusoro ndipo panenge paine zvidyiwa izvi asi unozosara
wotenga mabhokisi angaite gumi asi unenge wotenga mbiti iwe uchida nyati.
Unozosara woona kuti watengeserwa mbiti apa vakomana vanenge vatove
kunyika dzinoera vave kutodya mari dzako. Iwe sare tuzu semudzimu
wabudira mugungwa.

Kana dziri nyaya dzekufamba dzotoda kuti vanhu vazive pavamire


sevarwere veCOVID-19. Zvekupinda michovha yese yese unotakurwa
ukanosiiwa musango umo maunozouya uchigwesha uri musvo senzungu
dzamenyerwa mbeu. Iko kutodzoka kwacho ndokunge wasiiwa uchiri
kufema, nekuti zvekudyisa nyemba ndizvo zvavanogona vakomana vacho.
Unobva watorerwa zvese zvaunenge uinazvo.

Zvimwe vacho munongozvinzwa zvichitaurwa munharaunda umu zvichiita


sedambe asi chokwadi ndechekuti tariro yedu yatove kwamuri imi
vemutemo kuti mutinunure mugehena ratadai kupinzwa pano paBhora. Kana
muchida kuziva zvakawanda sunungukai kunditsvaga pano paHovo
Secondary School pandinodzidza

Manotsi

-imhando yetsamba iyi

-mutauro wechinyarikani nekuti tsamba iyi iri mumusambo wechinyarikani

-shandisa mutauro wemutauri wekutanga (ndiwe mutauri wacho)

-pfungwa yega yega muchikamu chayo

-ngairungwe zvakadzama mhanáro yako

̱͵͸̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
11. KUNYORA NHAURWA (SIPICHI)

Nyora nhaurwa ichaitwa nemukuru wenyika nenyaya yehuwori


mudunhu menyu

Musoro: Huwori huri kuitwa mudunhu maChiendambuya

Pamusoroi vanoremekedzwa madzishe edunhu rino neutungamiri hwose


hwemapazi akasiyana-siyana. Ini semutungamiriri wenyika yeZimbabwe
ndamira pamberi penyu nechinangwa chekuda kudzumbunura nekupepeta
huwori huri kuitwa mudunhu muno.

Chekutanga ndiri kunzwa kuti kune vanhu vari kuuya vachinyepa kuti
vatumwa nemutungamiriri wenyika kuzotora mari dzevanhu vari
kutotamburawo zvavo. Vanouya vakahwanda nezita remusangano wevanhu
vachiti vari kutora mari dzemitero, dzezuva rerusununguko rweZimbabwe
kana dzevuva remagamba. Isu tinoti nyika ndeyedu tese saka mukaona
anenge auya achitaura izvi ari kuhwanda nemunwe uye ari kuda kuderedza
uremu hwenyika yedu. Aya mazuva ekuti tifare pamwe tichidya nekunwa
takatambanuka mumoyo yedu. Vanhu ivavo vari kuita huwori vachihwanda
nemukuru wenyika

Mbeu nefetireza tiri kupa vanhu asi unozonzwa dzave ngano dzaTsuro
naGudo kuti vamwe vakanyimwa, zvimwe zvakatorwa nevatungamiriri
vemumatunhu vachinotengesa kana kuzvipa zvakawanda ivo. Ruzhinji
rwunosara rwuchitambura asi isu tichifunga kuti munhu wese awana
rudekaro. Vamwe vari kupanana pachizivano vachinyima vamwe. Zvese tiri
kuzvinzwa uye tiri kukuzivai saka garai makagadzirira kudzosera zvose
zvamakatora musati maenda pasi pemitongo yakaomarara.

Ndiri kunzwa kuti muzvipatara umu muri kunyimwa mishonga muchinzi


endai munotenga mega kana kuti ivo vanamukoti vanokutengeserai
mishonga nekuseri. Kumwe tiri kutonzwa kuti unorapwa chete kana uine
waunoziva, kana usina unongoswera wakasvava nekutofira ipapo
wakatariswa sembwa yakafira musango. Zvese izvi mucherechedzo mukuru
waodza nyika, zvino tati nyika haingaori takatarisa. Tauya kuzotwasanura
simbi dzakaminama, kana dziri mbambaira dzakaminama todzibika.

̱͵͹̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Zvekupfeka kungokururirwa nevamwe asi pane paunozonetawoka nekuti iwe
wacho unenge woda kutokururirwawo. Vana vongofamba vakaita kunge
vakapfeka masaga ekutandisa botso kana kuti vakapfeka mbereko.
VanaFreight, Josphat naEunice vave kutogara vakazvivharira mumba
nenyadzi dzekushaya chekupfeka. Vangafambe Seiko ivo vave majaya
nemhandara kudai? Apa ndipo panodikwawo vaya vakapfuma nevaya
vanoisa hembe mumapiro kuti vazivewo kuti kune vari kufamba vakapfeka
makavi.

Anenge arwara ari kutonzi nemidzimu atevere vabereki vake nguva ichipo.
Ko zvipatara zvinobhadharwaka! Pauchati kadhi, makandinzwanani,
yemishonga, yekubvunzwa kuti uri kunzwei wozoti yekunzi ugodzoka
mangwana aaaah iwe zvakoma! Vangawana mari yekupa chipatara chisina
mishonga ivo vachishaya yekuisa chikafu mudumbu? Zviri kunzwisa
urombo, dai zvaibvira vebazi rezveUtano vangoti nherera dzirapwe zvadzo
pachena. Hazvidi kuti uve nherera kumba, nherera kunyika nekudenga
kwese.

Rusaruraganda rwuri nani unogona kumbopfeka bhachi kuti vasaone ganda


racho, zvino rusarunherera rwunorwadza semari yechikoro yawira
muchimbuzi. Ungavige sei unherera mubhachi kana mushashiko? Kuenda
pamakungano mazhinji nherera dzinosiiwa uye mukutamba kwevana
munharaunda vanongosemwa nevamwe. Ko ivo vemachechi zvavanozviti
vanonamata varipiko neminamato yavo nebetsero yavo vana ava vawanewo
upotero? Gara zviya kumachechi kwacho hanzi kunotodikwa vane mari saka
zvenherera zvinoramba zviri nherera senherera dzacho. Vemapazi
akazvimirira vakapindirawo vana vangawane upotero.

Pekugara chaipo unopedzisiraka wobuda mumwena segwizo. Ndaifunga kuti


mastreet kids anowanikwa mudhorobhaka chete izvo kusiyana kwemazita
chete, ekudhorobha anonzi street kids nekuti kune mastreets manje ekuno
kune ma road kids nemabush kids. Vangavakirwe nani dzimba ipo pamba
pemabhiridha pacho pasinawo dzimba? Ngavatovaka zvavo dzemapepa
nezvimarata vagare nekuti kana kuHarare muna Mukuvisi zvirimo.
Hurumende yakatozvikoniwawo. Ko tingavanyepere here kuti
muchabatsirwa iko kuinana saimba vari kutogara musango?

̱Ͷͳ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
-hapana zvekuti Ndini wenyu =[I am yours…] unonzwa kuti hazviite kana
kuChirungu, chingoti Wako/ Wenyu =(Yours)…izvi zvinoita izvi

̱Ͷ͵̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
zvaigooneka nepapi iye aipenya ganda achifamba seshoroma? Handiti
vakawanda vaitomurwira, ini ndikati ndaita mhanza ndochiitaka vaNyachide
wake!

Nhasi ndiri panhowo, mapiritsi aya matorovhiro andiramba, uku kamwana


kaakandisiira kangosara nzeve dzarembera kunge bhurugwa rebenzi. Ko
icho chekudya zvacho? Chokwadi ndini here ndaidadira chikafu
chepaboarding ndichiti ndinodya zvaPai? Nhasi ndiri kudya mubin pano
pana First Street muHarare, ndiri kuvata pasi ndakafuga makadhibhokisi.
Unoti ndichararama here? Chiremba vakataura kare kuti hazvichabatsiri
nekuti ndakaonekwazve ndiine cancer yechiropa uye itsvo dzangu dziri
kupota dzichikanganwa kushanda basa.

Mhungu yokundikobora nanhasi handisati ndaiona, inonzi yakatizira South


Africa. Usatambise tsitsi dzako uchinzwira ini nekuti ndatove guva, vanhu
vakakuona wonzwira guva tsitsi, vanokurova. Ini ndaenda, chasara mandiri
mashoko emudzidzisi wangu Nyamhanza uya aigara achinditsiura ndichiti
anoonererwa. Nhasi nhamo ndiyo yave kundionerera.

Ndakanyatsotarisa ndikaona zvimvura zvaive zvadonhera ndokuomera


pabepa iri. Vakuru vakareva pavaiti mhene inofura yakaringa mudenga, kana
yatosvorwa yoti mavara azara ivhu. Sister vaipoda nekukanyaira vachifamba
pachikoro. Vaitiza pachikoro vachinyepera kurwara vachienda kumba nguva
zhinji. Waizonzwa kana adzoka ,“... ndiri kubva kuservice, ndanga
ndatosuwa mudiwa wangu Pai...” Vanhu vanofunga kuti gehena riri
kudenga, gehena unoripikira pano pasi sekutamba. Basa raive rekunyorera
Painos manotsi semwana wamai vake, achitora mauniform ake
achimuwachira kugirls’ dome vanamatron vasingazive. Achipota
achisangana naye kumagrounds ebhora vachibatana zvavo ikoko. Isu tisu
tainzi marema. Kaidya zvakasina kurima, kairamba kudya sadza rekudinning
vachitengerana mapie naPai wake, zvino nhasi Pai wacho ari kupi?
Pandakazoona apa ndakapererwa:

Unozviziva here kuti mai vangu vakastroka nekuda kwangu? Zviri pachena
kuti ndini ndatouraya mai vangu. Unozviziva here kuti ndini ndakaisira
Nyamhanza mushonga akapotsa afa because ndaingomuvengera
kunditadzisa kwake kuti tionane naPai...?

̱Ͷͻ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Nyamhanza akabovorera semombe, handizvikanganwi, akanga afa murume
uya, murume wemoyochena, murume wedzidziso inobva pakadzika-dzika
pemoyo. “Ah Tarisai unotyisa iwe!”

Handina kana chekumuregerera nacho. Nyamhanza akanga azviruza zvebasa


izvi dai pasina kedu Chenai kakazonyurura Nyamhanza mugungwa. Handiti
iye Hatibviri uyu akapinda muhofisi yaNyamhanza achiita seanobvunza
home work. Apindamo ndokuridza mhere sembudzi yabatwa nebere apa
atobvisa skirt kare akarara pasi chaipo. Isu nevamwe vana vechikoro
takamhanya nepamahwindo kuti tione, ukuwo vadzidzisi vachiuya wanei
haikona mashura padunhu. Meso akaramba kuzvitenda, asika ndizvo
zvakange zvatovepo kuti Nyamhanza akanzi aida kubata chibharo. Mwari
waNyamhanza akatozove Chenai uyo akadura gure rese. Raive zano rokuda
kupfidzisa Nyamhanza nekuti ainzi anoonesesa uye anotaurisa. Nhasi
zviripi? Waiti Mwari haaoni here?

Shamwari ndakatadzira denga nepasi, kana nzvimbo yekuenda handina


nekuti kana kugehena ndakatorambwa kare, kana hama handichina, rangu
shoko chengetai. Vese vanotidzidzisa vane zvavakaona. Ndikangopiwa imwe
chanzika ....!

Kubva muzvinyorwa zvisati zvatsikiswa zvaVaChinemo P. (2022)

2. a) Ipa ndima iyi musoro unokodzera (1)

b) Munyori wetsamba iri mundima umu anonzi ani? (1)

c) Ndeapi mashoko anotaridza kuti munyori wetsamba akanyora achichema?


(1)

d) Nyurura mashoko mundima anotaridza kuti munyori wetsamba aidada


zvikuru (1)

e) Ipa mazwi kana izwi riri mundima rinoenderana netsananguro dzakapiwa

i) Kurwadzisa zvakanyanya (2)

ii) Kurwara zvakanyazva zvekuti munhu anenge oswera akangorara (2)

̱ͷͲ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
zvayo yainge yacherwa. Hurudza akabata musana, ndokumbobata chiuno apa
achingocheuka-cheuka semunhu ari kuda kuba achitya kuti angaonekwe.

Akatarisa pasi akaona kuti mbambaira iyi yainge yacherwa kwemazuva


akawanda, kwete zvezuva rimwe. Ipapo murume akashatirwa zvikuru,
ndokutora rumuti rwake odzokera kumusha. Aifamba achingomwaya maoko
kumativi nekudzungudza musoro nekuda kwehasha. Ipapo aingozvibvunza
kuti; “Zvino mhuri yangu inopona nei? Ndigoita chiseko chenyika nekuda
kwenzara here munhu ane maoko ake kudai? Mwana uyu airinda pai chaizvo
kana munda wese wakadyiwa kudai? Achingoti vhuu pamusha akabva
akatanga kuviruka nehasha nezwi riri pamusoro. “Kuita here uku kwekuti
munhu anosiya munda wese uchidyiwa kusiya musina kana mbeu hayo?
Nhai mai mwana tofawo here nenzara nekuda kwemwana wenyu uyu? Mai
mwana ndakambokuudzai kuti mwana wenyu uyu anonyepa, honai tave kufa
nenzara gore rino nekuda kwake!”

Zvino mukadzi nehasha akatora zijamu rake ziguru remugaragunguwo


ndokudaidza mwanasikana wake kuti auye. Panguva yaipopota baba vake iye
aizvinzwa zvake akagara kuseri kwegoni achingoti nechemumoyo dai
vachienda kudare vagozodzoka hasha dzaserera. Akadaidzwa ndokubuda
panze, mai vake vakati, “Nhasi ndinoda kukurova kudarika zvandakaitwa
namai vangu ndichiri mudiki! Unoda kutiuraya nenzara iwewe? Unoda
kundirambisa nababa vako ndichinzi ndinokureverera uye kusiya uchiita
zvakaipa? Nhasi ndinokuponda chokwadi!”

Mwanasikana aona kuti nyaya yakwira makomo, akafamba ndokuenda


pamberi pababa vake akabva apfugama pamberi pababa vake. Ipapo akabva
arereka musoro zvekunzwisa tsitsi ndokuti; “Ndine urombo vabereki vangu
mese nezvakaitika. Chokwadi ndaiti ndikasvika kumunda ndogara pasi
pemuti pasina kwandambotarisa. Kana ndichinge ndadya ndikaguta zigope
raibva randibata. Ndaingozopepuka zuva rave kuseri kwemakomo uko
ndobva ndatotora nhava yangu ndodzoka kumba. Chokwadi ndine urombo
baba namai nemaitiro angu aya, handichazviiti zvekare.” Vabereki vake
vachinzwa izvi, vakabva vamuregerera asi vakamuudza kuti asazozviite
zvekare. Dai vaive vanhu vaya vanorima zveusimbe vaifa nenzara, zvino
vaive nezviyo zvakawanda mudura. Ndipo pakafira sarungano.

̱ͷͶ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
KUNYORA NZWISISO YAKANAKA
-mubvunzo unoda musoro wenyaya/detembo uri kuda dingindira renyaya
/detembo chete (musoro wacho unogona kuva izwi rimwe, asi
ngasadarikewo mana) apa uri kudzidziswa kupfupisa nyaya wakanangana
nemusoro wayo chete/ uri kudzidziswa kupa mabhuku misoro inokodzera
-verenga nyaya/detembo/tsamba/ngano/mutambo kaviri
-tanga waverenga mibvunzo usati waverenga nyaya
-pindura zvabvunzwa nemubvunzo chete
-mibvunzo inoda tsananguro yendevo sekushandiswa kwadzakaitwa
mundima, ona kuti waisa (muiti nechiitwa) vatambi nezviri kurehwa
nechirevo chacho mundima
-usapedze nguva kukoponora mubvunzo wega wega, nyora nhamba
yemubvunzo nemhinduro chete
-panodiwa chikonzero kana maonero ako, isawo chikonzero chacho,
zvinenge zvichitoreva kuti pane mibvunzo miviri yakabatana
-pamaonero ako hakusi kuti utaure chero zvawataura, nangana nenyaya
yacho wopa zvinoenderana
-zvakanaka kudarikira mutsetse pamhinduro yega yega kuti zvinyatsochena
nekuonekawo

̱ͷͺ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
KUNYORA PFUPISO YAKANAKA
-shandisa mazwi ako
-usapfuudze mazwi akatarwa
-usashandise zvirungamutauro
-gona batanidzo nepatsanuro yemazwi
-mavara ngaanyorwe zvakanaka
-chirevo ngachionekwe muiti nechiitwa
-chirevo ngachive chipfupi (mazwi manomwe akanaka pachirevo chega
chega) 7 x7 =49
-mazita evatambi/nzvimbo anyorwe sezvaari mundima
-pfungwa ngadziyerere semaitikiro azvo munyaya
-nyora muchikamu chimwe chete
-pfupiso haineyi kuti idetembo, mutambo, tsamba kana nyaya shandisa
chikamu chimwe uchinyora senyaya

̱ͷͻ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CHIKAMU 1: MANOTSI EMUTAURO

MAZITA

1. Mazita nemipanda yawo

Mupanda Chivakashure Zita


1 mu-/mw- mudzidzisi, mweni
1a ø- Tawanda, baba
2 va-/v- vadzidzisi, vana
2a Va-/va- VaDube, Vatezvara
2b a- amai, ambuya
3 mu-/mw-/m- muti, mweya, moyo
4 mi-/mw-/m- miti, mweya, moyo
5 (ri-)/ ø- benzi, bango
6 ma- mapenzi, mapango
7 chi- / ch- chikoro, chana
8 zvi-/zv- zvikoro, zvana
9 i-/(N-)/ ø- nyoka, hamba
10 dzi-/(N-) ø- nziyo, n’ombe
11 ru- /rw-/rwu- rwuoko, rukova, rwaivhi
12 ka- /k- kana, kakadzi
13 tu-/ twu-/ tw- twunhu, tuvanhu, twana
14 u- /hu-/hw- upfu, huchi, hwahwa
15 ku- kuseka, kufa
16 pa- paruware, pamba
17 ku- kumusha, kure
17a ø- mhiri, seri
18 mu- mumba, mudura
19 svi -/sv- svimba, svisikana, svana
21 zi- zimba, zigomana

̱͸ͳ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Mipanda nemazita anonyanya kushungurudza vana pakuumba.

Zita rinoumbwa nechivakashure chezita nedzitsi rezita, sekuti:

Zita chivakashure chezita + dzitsi rezita


murume mu- + -rume
chikadzi chi- + -kadzi
mai Ø- + -mai

Mupanda zita chivakashure chezita + dzitsi rezita

1a baba Ø- + -baba
Nyamuzuwe Ø- + -Nyamuzuwe
sisi Ø- + -sisi
sekuru Ø- + -sekuru
2a vatete va- + -tete
VaChinemo Va- + -Chinemo
vasahwira va- + -sahwira
2b amai a- + -mai
ambuya a- + -mbuya
5 gudo ri- + -kudo
rize ri- + -ize
zano ri- + -ano
ziso ri- + -iso
6 meso ma- + -iso
meno ma- + -ino
mano ma- + -no
9 imba i- + -mba
9/10 hama (N-) + -kama
9/10 mhururu (N-) + -pururu
9/10 mhuka (N-) + -puka
15 kudya ku- + -dya
kuda ku- + -da
17 kumba ku- + -mba
kure ku- + -re
16 pagomo pa- + -komo

̱͸ʹ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Chisarudzi: Chivakashure chechisarudzi + dzitsi rechisarudzi
rino ri- + -no
vaye va- + -ye
vaya va- + -ya
kupi ku- + -pi

5. Chirevamwene

Izwi rinoshandiswa kureva mwene/muridzi wechinhu

Maumbirwo
Chirevamwene: Chiiswa/chiwedzerwa chechirevamwene + nzvovera
inoshanduka (-a-/-e-) + dzitsi rechirevamwene
twababa tw- + -a- + -baba
yangu y- + -a- + -ngu
pegudo p- + -e- + -gudo

Mhando dzezvirevamwene

a) Chinoreva muridzi wechinhu


Motokari yasekuru

b) Chinoreva basa rechinhu


Mari yebhazi

c) Chinoreva zvakagadziriswa chinhu


Motokari yemawaya

d) Chinoreva mhando yechinhu


Mombe yetsiru
Mhofu yemukono

e) Chinoreva nzvimbo inogara chinhu


Mudura menzungu

̱͸͸̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
-an- -rov-a -rovana
-anan- -d-a -danana
c) Rebeso yekuitwa
-w- -bat-a -batwa
-iw- -dy-a -dyiwa
-ew- -chekewa
d) Rebeso yenyanyiso
-is- -bat-a -batisa
-es- -sek-a -sekesa
e) Rebeso yekuitika/goneko
-ik- -bat-a -batika
-ek- -chek-a -chekeka
f) Rebeso yemherevedzo
-irir- -sung-a Sungirira
-erer- -sek-a Sekerera
g) Rebeso yedzokororo -dzokorora
-oror- -dzok-a -ongorora
-urur- -on-a -kavurura
h) Rebeso yemamiriro
-am- -komb-a -kombama
-arar- -om-a -omarara
i) Rebeso yewadzano -ung-a -ungana
-an- -sang-a -sangana
j) Rebeso yepfumvunuro
-anur- -sung-a -sungunura
-enur- -pet-a -petenura
-inur- -kiy-a -kiyinura
-onor- -nam-a -namanura
-unur- -rong-a -rongonora
k) Rebeso yekonzero/ yesakiso
-is- -rum-a -rumisa
-es- -rov-a -rovesa
-dz- -rir-a -ridza
-idz- -tung-a -tungidza
-edz- -chem-a -chemedza
-ts- -muk-a -mutsa

̱͹Ͳ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
-nz- -ond-a -onza
-huy-a / -hunza /
-uy-a -unza
l) Yebatano
-et- -cheng-a -chengeta
-at- -nam-a -namata

Kuisa rebeso dzakawanda pachiito chimwe chete

ku-bat---a Sekuti:

yekonzero + yekuitwa

ku-bat-is-w-a

yekonzero + yekuitirana + yekuitwa

ku-bat-is-an-w-a

CHIKAMU 4

Madonzvo ezviito

1. Donzvo rekutuma
Iba bhuku iro Usabe bhuku iro
Gara pasi Usagare pasi
Mhanyai vana Musamhanye vana
Baba huyai Baba musauye pano

2. Donzvo rekuudza
Mbuya vakaenda kumusha
Tichauya mangwana Hatichauyi mangwana
Sekuru vanogara kwaMutoko Sekuru havachagariko
Vana vaigona chikoro ava Vana vaisagona chikoro
Sekuru vafa

̱͹ͳ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
8. Chidudzirachiito chemaitiro
Anofamba zvinyoro nyoro
Anotaura achikakama

CHIKAMU 7

Dzambiringamunyemba

Izwi risingangokodzeri kuva pachikwata


NB: Iva neruzivo rwemazita nemipanda yawo, zvidudziramazita
nezviito kuti mubvunzo uyu ukurerukire. Ziva kuti mhinduro
hadzisisiri dziya dzekuPuraimari.

gudo hove gava jeko


hove izita remupanda 9/10 asi mamwe ese ndeemupanda 5

munhu mai mukadzi mwana


mai izita remupanda 1a asi mamwe ese mazita emupanda 1

jena dzvuku diki dema


diki chipauro chemhumhu asi zvimwe zvese zvipauro zveruvara

kufamba kumusha kuda kufa


kumusha izita remupanda 17 asi mawe ese zviito/ndeemupanda 15

iwe ivo ini ichi


ichi chiratidzi asi zvimwe zvese zvisazitasingwi

mukuru vega pano pamba

pamba izita asi zvimwe zvese zvidudziramazita

̱͹͸̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
CHIKAMU 11

Zvitaridzanguva

Mavara anotaridza nguva pazviito

Zita rechitaridzanguva Chitaridzanguva Chiito chine


chacho chitaridzanguva
1.Nguva yezvakaitika -ka- Vakadya
kare
2.Nguva yezvaiitika -i- Vaidya
3.Nguva yezvanga -chi- Vachidya
zvichiitika
4.Nguva yezvabva -a- Vadya
kuitika
5.Nguva -no- Vanodya
yezvinogaroitika
6.Nguva yezvave -o- Vodya
kuitika
7.Nguva yezvichaitika -cha- Vachadya
8.Nguva yezvinogona -nga- Vangadye
kuitika

CHIKAMU 12

KUPATSANURA CHIITO

Patsanura zviito zvinotevera uchitaridza zita rechipenga chega chega

Vakamudya = va-ka-mu-dy-a (chitaridzamuiti + chitaridzanguva +


chitaridzamuitirwi + mudzi wechiito + nzvovera yekupedzisira)

Chaimhanya = cha-i-mhany-a (chitaridzamuiti + chitaridzanguva + mudzi


wechiito + nzvovera yekupedzisira)

̱͹ͻ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Vanoyema = va-no-yem-a (chitaridzamuiti + chitaridzanguva + mudzi
wechiito + nzvovera yekupedzisira)

Takamurovesa = ta-ka-mu-rov-es-a (chitaridzamuiti + chitaridzanguva +


chitaridzamuitirwi + mudzi wechiito + rebeso yechiito + nzvovera
yekupedzisira )

CHIKAMU 13

MAUMBIRWO EMIBVUNZO MUCHISHONA

Mibvunzo inoumbwa tichishandisa zviumbamibvunzo zvinotevera:

1. –i?
Munomudii mwana uyu?
Unodei pamusha pavo?
2. sei?
Sei muchiti muri madofo?
Unonzwa sei kana ukapasa?
3. -ani?
Vana vaani ava?
Zvinhu zvaani izvi?
4. –pi?
Wamuonepi mwana uyu?
Chingwa changu ndechipi?
5. Chii/chinyi
Chii chauri kuita nhasi?/ chinyi chauri kuita nhasi?
Unoda chii pano? / unoda chinyi pano?
6. here?
Unodzoka here kufomu yechishanu?
Uchapasa Shona here?
7. Hwidzazwi
Mukomana wako?
Wadya nyoka iya?
8. Kuti?

̱ͺͲ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Chiratidzi chepedyo
Chitsigisi + Chiratidzamupanda
i - ri

Chipauro
Chivakashure chechipauro + dzitsi rechipauro
va kuru

Mubvunzo 14
Doma mabasa mashanu ezvirevamwene ugopa mienzaniso yakakodzera
(10)

(i) Zvinoburitsa unhu /tsika sokuti:


Musikana wemakuhwa uyo

ii) Basa rechinhu sokuti:


Mugoti wekubikisa sadza.

iii) Chakagadzirisa chinhu sokuti:


Bhora ramapepa.

iv) Kuratidza mhando yechinhu sokuti:


Doro remabhodhoro.

v) Chinoratidza nguva sokuti:


Akauya munguva yechando.

vi) Chinoratidza ruvara rwechinhu sokuti:


Mukomana wechitema apondwa.

vii) Chinoratidza nzvimbo sokuti:


vanhu VekwaGobo kuSilobela.

̱ͻͷ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
ZVINDORI

Mubvunzo 17
Zvindori zvinoumbwa sei muChiShona? (10)

Mhinduro
Chindori chinoumbwa sezvinotevera
Chiwedzerwa chechindori + dzitsi rechindori
Ndi- + -baba
/ndi-/ anobatana nezvisazitasingwi zvose sokuti:
ndini , ndivo, ndicho

/ndi-/ anobatanawo nemazita emipanda1a,2a,ne2b sokuti: ndiTawanda,


ndivatete, ndiambuya.

/i-/ inobatana nemazita nezvipauro zvemipanda


5, 9 ne 10 sekuti:
ibenzi (5) imombe (9,10)
iguru (5) irefu (9,10)

/ha-, he-, ho-/


Anobatana nezviratidzi nezvina’anuri sokuti:
havano, heuno, (china’anuri)
Heri, hecho (chiratidzi)

Hwidzazwi /H/ inobatana nemazita ose kunze kwe 1a, 2a, 2b, 5, 9, 10
sokuti: kure, chingwa, mazai

/nda-/ inobatana nemazita e2a ne2b sokuti:


ndaambuya 2b, ndavamwene 2a

/nde-, ndo-/
Inobatana nezvidudziramazita zvese kunze kwezvipauro
ndeuno (chisarudzi)
ndevanorima (chidudziramuiti )
ndeuyu (chiratidzi)

̱ͻͺ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
vatukana -tuk-an- mudzi wakarebeswa

Mubvunzo 21
Verenga zvirevo zviri pazasi ugoburitsa zvinotevera:
i. chiito chakarebeswa
ii. mudzi wacho
iii. rebeso dzacho
iv. mazita erebeso (10)

a) Mwana arohwa nasekuru vake.


b) Tichaenda kunodzidziswa kuchikoro.
c) Sekuru vakarotswa hope nanatateguru.
d) Gaka iri rinochekeka nebanga.
e) Akamhanyisa ndokusiya.

Mhinduro
Chiito Chakarebeswa Mudzi Rebeso Zita Rerebeso
a) Arohwa - rov- -w- kuitwa
b) Kunodzidziswa -dzidz- -is-,-w- konzero/kuitwa
c) Vakarotswa - rot - -ts-,-w- konzero,kuitwa
d) Rinochekeka -chek- -ek- goneko
e) Akamhanyisa -mhany- -is- nyanyiso

Mubvunzo 22
Uchishandisa chiito /rova/ nyora zvirevo zvine rebeso dzinotevera:

i. Mherevedzo
ii. Sakiso| konzero
iii. Goneko
iv. Kuitira
v. Kuitwa

̱ͳͲͳ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
vi. Kuitwa, konzero nekuitwa
vii. Konzero/ sakiso , kuitirana (10)

Mhinduro
i. Vana vakaroverera chipikiri pamadziro.
ii. Ndoda kurovesa John nemapurisa nokuti aba.
iii. Mwana uyu anoroveka nokuti haana simba.
iv. Baba varovera mai mwana.
v. Mombe yarohwa neshamhu.
vi. Amai varohweswa nababa nemapurisa.
vii. Vana varovesana nemapurisa.

Mubvunzo 23
Patsanura mazwi anotevera mutunhengo twunoaumba ugodoma
twunhengo twacho sokuti : vakaba
va - chiratidzamuiti
-ka - chiratidzanguva
-b - mudzi wechiito
-a nzvovera yokupedzisira

(i) ticharwisana
(ii) varidya (10)

Mhinduro
(i) ti- chiratidzamuiti
-cha - chiratidzanguva
-rw- mudzi wechiito
-is- rebeso yesakiso
-an - rebeso yokuitirana
-a nzvovera yokupedzisira
Kana kupatsanura seizvi wodoma zvipenga zvacho
[ti-cha-rw-is-an-a] izvi zvine mhosho shoma

̱ͳͲʹ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
c) Kutuma
d) Kuita
e) Kuudza
f) nhevedzano
g) Chishuwo
h) Zvanga zvichiitika
i) Dudziramuiti (10)

Mhinduro
a) Ndingabika sadza nhasi.
b) Ngatibikei sadza nhasi revana.
c) Bika sadza izvozvi.
d) Kubika sadza kunonakidza.
e) Vana vabika sadza ramauro.
f) Tadira mvura mupoto ndokubika bota.
g) Uyayi tibike bota.
h) Takawana vachibika sadza.
i) Vakomana vakabika mbodza varohwa.

Mubvunzo 29
Chiito chokuti / rakatsvuka/ chinogona kupinda mumadonzvo mana.
Ndeapi? (4)

Mhinduro
/ Rakatsvuka / rinogona kupinda mumadonzvo anoti:
i)rokuudza
ii)renhevedzano
iii)redudziramuiti
iv)rezvanga zvichiitika

̱ͳͲ͹̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
(b) Ura utete hwunonaka.

5 (a) Sekuru vakatanda mwana ane misikanzwa pamba.


(b) Tsangadzi inotanda nemunda wose.

6 (a) Enda unochera mvura yokunwa.


(b) Chera mugodhi wemari.
(c) Tafadzwa akachera Tinashe kuna baba vake vakamurova.

7 (a) Marasha matema anosvibisa mbatya.


(b) Marasha mari nhasi vana imi.

8 (a) Enda unonyika mumera mumvura.


(b) Maruva enyika haaperi.

9 (a) Nyanga yemombe inotunga.


(b) Nyanga shiri iyo ugoibata.

10 (a) Ndatenga mota yeHonda Fit.


(b) Mota randinaro ramera padama.

̱ͳͳͲ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
ZVIRUNGAMUTAURO

MADIMIKIRA

Mubvunzo 1
Ipa dimikira rakafanana nerawapiwa , sarudza mashanu chete.
i. Kudya moto.
ii. Kubata mwana wengwe .
iii. Kurasa mwoyo.
iv. Kurasa musoro.
v. Kuita bhurugwa nebhandi.
vi. Kugarira badza.

Mhinduro
kudya imbwa /kudya marasha/ kudya magaka mambishi

i. Kuzvisikira moto muziso.


ii. Kusviba mwoyo
iii. Kuora mwoyo
iv. Kuita musoro unodziya
v. Kuita hwenhungo nembariro
vi. Kugarira maoko

Mubvunzo 2
Tsanangura kuti madimikira anotevera anodudzira unhu hwupi.
Sarudza mashanu.

i. Kuva nebapu regwai.


ii. Kuita chinya chiri pahuma.
iii. Kuita chisodzimate.
iv. Kuva munhu anofukura hapwa.
v. Kusetsa nevakafa.
vi. Kugarira maoko.

̱ͳͳͳ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
NYAUDZOSINGWI

Mubvunzo 15
Tsanangura zvinoreva nyaudzosingwi dzinotevera. Sarudza shanu chete.

i. mwiro
ii. kwetsu
iii. gadya
iv. gwa
v. nyakata
vi. nga

Mhnduro
i. Kunyarara
ii. Kuridza mhere
iii. Kumedza
iv. Kuoma
v. Kunyorova
vi. Kusunga

Mubvunzo 16
Isa nyaudzosingwi dzinotevera mumhando yadzo.
fambe
kukurigo
zvi –i
shonyororo
gwa gwa gwa

Mhinduro
Yakabva muzviito
Inobva kumaririro
Ine chivakazwi chimwe
Ine mavara okupedzisira akadzokororwa
Nyaudzosingwi yakadzokororwa

̱ͳʹͲ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
Mubvunzo 3
a. Ukasvika parufu unotaudza vari parufu uchitii? (2)
b. Ivo vanotarisirwa kupindura vachitii ? (1)
c. Pazvarwa mwana mucheche unotaudza vabatsirwa uchitii? (2)
d. Ivo vanotarisirwa kupindura vachitii? (1)
e. Wambomhorosana nemunhu mosanganazve pasina nguva refu
mambomhorosana unomumhorosa uchiti kudii? (2)

Mhinduro
a. Nedzoi, nematambudziko, nenhamo, nedzinonetsa.
b. Aonekwa, dzaonekwa.
c. Nemakorokoto.
d. Ndeedu tose.
e. Pachipamwe

Mubvunzo 4
(a) Doma maga anowanikwa mumusambo wechisahwira
(b) Musambo uyu wakanakirei?

Mhinduro
(a)
Havashandisirirani mutupo nezvidawo.
Vanotarisana kumeso kana kuti havanyarani.
Vanotaurirana chokwadi nyange chichirwadza sei.
Vanosekedzana kana kuita jee vose.
Hauna ruremekedzo, vanodeedzana nechisazitasingwi, “ Iwe” sokuti :“, I
we wapedza hama”.

(b)
Kuvigirana vafi.
Kubatsirwa mumatambudziko.
Kupanana mazano.
Kutandadzana nokuita majee.

̱ͳʹͶ̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com
mari yakakwana yebhodhingi, ndine vana vaviri.
Ndakakwanisa kubhadharira mukuru ari kuBenzi High
School. Yenyu ndozopedzisa mwedzi unouya. Vana
vandiwandira.

Mukuru wechikoro: Zvamunondiudza kuti makawandigwa


nevana ndezvenyu. Kana asina mari yakakwana asauye.
Anodya zvemari yani? Makarega kunwa mapiritsi efamily
planning aingopihwa mahara, iko zvino motinetsa. Bhadharai
mari yakakwana kana kuti orega kuuya.

Mubereki: Aah, mungandidarowo here mukuru wechikoro?

Question
a) Musambo waitaurwa apa ndoupi? (2)
b) Gadzirisa nhaurwa yekutanga yemukuru wechikoro kuti ive ine unhu
hwakanaka. (2)
c) Buritsa zvirevo zvina zvinotaridza kuti mukuru wechikoro anga asina
unhu hwaparunhare hwakanaka. (4)
d) Ndaapi mazwi anotaridza kuti mubereki apererwa nemaitiro emukuru
wechikoro parunhare.? (2)

Mhinduro:
a) Chinyarikani
b) Hallo.Makadii, Pfupiso High School. Ndingakubatsirai nei?
Munodei?

c) -zvamunondiudza kuti makawandirwa nevana ndezvenyu.


-Anodya zvemari yani?
-Makarega kunwa mapiritsi efamily planning aingopihwa vanhu
mahara.
-Bhadharai mari yakakwana kana kuti orega kuuya.
d) Aah, mungandidarowo here mukuru wechikoro?

̱ͳʹ͸̱
+263292270289 Dingani Bookshop and Stationery
+263777896159 Www.dinganibookshop.com

You might also like