You are on page 1of 51

Yeukai ChiShona

A-LEVEL LANGUAGE
A-LEVEL
VOLUME 1

BHUKU REMUDZIDZI
WATADZA MX MAMVOSHA OT ED
D AT LUM
EDULIGHT CHIPATO V TARUSARIRA E UP RICU
B O O K S
MUTANGA T CHIWAPU V R
CU
Yeukai
ChiShona
A-Level Language
VOLUME 1
BHUKU REMUDZIDZI

EDULIGHT B O O K S

BUMBIRO REDZIDZO RAKAVANDUDZWA

WATADZA M X., MAMVOSHA O T., CHIPATO V., TARUSARIRA E.,


MUTANGA T. & CHIWAPU V.
WATADZA M X., MAMVOSHA O T., CHIPATO V.,
TARUSARIRA E., MUTANGA T. & CHIWAPU V.
EDULIGHT BOOKS
Throgmorton House
Cnr Samora Machel Ave / Julius Nyerere Ave
3rd Floor, Room 312
Harare

Tel:
0242 749195

Cell:
0773452208
0715263466
0772 669134
0715263467
0772588092

E-mail:edulightpbc@gmail.com/watadzamhazo@gmail.com

First Print: 2018


Editor: Edulight Books
Design & Layout: Daniel Njondaya
Cover Illustration: Paul Chirodza
Cover Design: Daniel Njondaya
Intext Illustrations: Paul Chirodza

ISBN. 9780797486249

All rights reserved. No part of this publication may be reproduced, stored in a


retrieval system or transmitted in any form or by any means, electronic,
mechanical, photocopying, recording or otherwise without the prior permission
of the publishers.

(i)
NHENDO

Vanyori vanotenda chose vose vakabatsira nenzira dzakasiyana-siyana kuti


bhuku rino rikwanise kunyorwa, kutsikiswa pamwe nekutambirwa. Vanhu
nemapoka vakabatsira vakawanda chaizvo zvokuti hatingagoni kuvadoma
vese. Rutendo rwedu runoenda kune vanhu vanotevera:

Mhuri dzose dzevanyori


Makaita henyu makatipa nguva. Chengetwai nekukomborerwa.

Kwashiwa James
Munosimudzira vanoda kusimuka. Ngazviwedzerwe kwamuri.

Zimbabwe Schools Examination Council


Curriculum Development and Techinical Services

(ii)
MUSUMO

Vazhinji vanoichemera kuti ivashanyire,


Nyika zhinji dzakaiwana dzinozvirova matundundu.
Mhuri dzakaita mahwekwe nayo kutaura kudai dziri mudenga
rechinomwe.
Asi dzakaishaya dziri kukwekwedura dzezvironda nokuti haingouyi

Hakuna budiriro inoshanyira nyika ine vanhu vasingaremekedzi


magamba erusununguko.
Hakuna budiriro inoshamwaridzana nevanhu vasingakoshesi tsika
nemagariro akanaka.
Hakuna budiriro inotaurwa nezvayo kana nharaunda nezviwanikwa
zvisina kuchengetedzwa.
Hakuna budiriro inowadzana nevanhu vanogara vakasungwa
mbiradzakondo neurwere.
Hakuna budiriro ingataurwa nezvayo kana kufa kwevanhu netsaona
wave mugariro.
Hakuna budiriro inosimbaradzwa nekushandisa vamwe vanhu
senhapwa.
Hakuna budiriro inogara neavo vanogara vari mumakakatanwa.
Hakuna budiriro inodanana nevasina hunhu.
Hakuna budiriro inosekerera avo vasingakoshesi ukama.

Hero basa Yeukai ChiShona ,vayeuchidze!


Vayeuchidze kuti budiriro inofambidzana nekuremekedza magamba
edu nekodzero dzevanhu.
Vayeuchidze kuti budiriro inowadzana neutano hwevanhu pamwe
nokuchengetedza nenharaunda.
Vayeuchidze kuti tsaona nemakakatanwa imhandu dzebudiriro.
Vayeuchidze kuti mutauro weChiShona ndiwo wakagukuchira
budiriro yemandorokwati inochemerwa neVaShona..

(ii)
iii
(iii)
VANYORI

Watadza Mhazo Xavier


Chizvarwa chekuZaka kuMasvingo. Akadzidza O Level paPanganai
Secondary School kwakare kuZaka. Akandoita A Level paChiredzi
Christian Secondary School. Akaita Bachelor of Arts yeChiShona
nePhilosophy paUniversity yeZimbabwe mugore ra2007, Bachelor of
Arts Fourth year Honours yePhilosophy neGreat Zimbabwe
University mugore ra2011. Akazoita zvakare Master of Arts
yePhilosophy neUniversity yeSouth Africa. Ari kuita PhD
yePhilosophy neUNISA. Akanyora Yeukai ChiShona 1, 2, 3 ne 4. Iye
zvino mudzidzisi weChiShona paBudiriro 2 Secondary School
muHarare.

Mamvosha Thirdson Odwell.


Chizvarwa chekwaHonde kwaMutasa. Akadzidza O level neA level
paGatsi Secondary School kuHonde. Akaita Bachelor of Arts
yeChiShona nePhilosophy paUniversity yeZimbabwe mugore
ra2007. Akazoita Post Graduate Diploma reEducation neZimbabwe
Open University. Pari zvino ari kuita Master of Education
yeEducational Management neZOU. Mudzidzisi weChiShona
paChinyauhwera Secondary School kwaMutare.

Chipato Vengesai
Chizvarwa chekuZaka kuMasvingo. Akadzidza 'O' ne A Level paSt
Anthony's High School kwekare KuZaka. Akazoita Bachelor of Arts
African Languages and Culture with Education neMidlands State
University akapedza mugore ra2004. Akatanga kudzidzisa ChiShona
kwaPanganai Secondary School, kuZaka mugore rimwe chetero
mushure mekuzoenda paZaka High School apo paari mudzidzisi
mukuru wematanho ose.

(iv)
VANYORI

Tarusarira Ezekiel
Chizvarwa chokuBikita. Akadzidza O Level paGwindingwi High
School neA Level paChibi High School. Akazoita Bachelor of Arts
General paUniversity of Zimbabwe mugore ra1998. Akazoita Post
Graduate Diploma in Education neZimbabwe Open University
mugore ra2002. Akadzidzisa pazvikoro zvinoti Tagona, Mashoko
nePamushana panova paari kudzidzisa pari zvino.

Mutanga Tichakunda
Chizvarwa chekwaChirumanzu. Akadzidza 'O' Level paLiebenberg
kuChivhu ndokuzoitira A Level paHama Mission kwaChirumanzu.
Akazoita Bachelor of Arts Honours degree reAfrican Languages and
Culture neMidlands State University mugore ra2006. Mushure mazvo,
akazoita Post Graduate Diploma in Education neZimbabwe Open
University pamwe chete neMasters in Educational Management
neSolusi University mugore ra2017. Pari zvino mudzidzisi
weChiShona paParirehwa High School kuDomboshava.

Chiwapu Victor
Chizvarwa chekuRushinga. Akadzidza O Level paRuya Adventist
High School ndokuzoenda paMutoko High kundoita zvidzidzo zveA
Level. Akazoita Bachelor of Arts in African Languages and Culture
with Education neMidlands State University akapedza mugore ra2004.
Akaitawo Diploma reBusiness and Industrial Adminstration neLCCI,
Executive certificate in Community Development and Project
Management, Executive certificate in monitoring and Evaluation of
Humanitarian Projects neUniversity of Zimbabwe(2011). Akazoita
Master of Education in Sociology of Education neMSU zvakare
akapedza mugore ra2015. Pari zvino mudzidzisi weChiShona paLord
Malvern High School muHarare.

(v)
ZVINANGWA ZVEBHUKU

Nzwisiso
(a) Kuverenga nokunzwisisa mhando dzenzwisiso dzakasiyana-siyana
dzinosanganisira nyaya, mitambo, nhetembo nedzimwe.
(b) Kupindura mibvunzo yemhando dzose dzenzwisiso.

Pfupiso
(a) Kuverenga nokunzwisisa pfupiso yenyaya, yemitambo, yenhetembo
nedzimwe.
(b) Kunyora pfupiso dzemhando dzakapiwa pachitevedzerwa zviga
zvepfupiso.

Rondedzero
Kutsanangura manyorerwo emhando dzerondedzero dzinosanganisira:
(a) Tsumo
(b) Girafu, tebhuru kana payi chati
(c) Tsamba yebasa kana yeshamwari
(d) Nhaurwa
(e) Tsanangudzo
(f) Gakava
(g) Mhan'aro

Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo


Kutsanangura maumbirwo nemashandisirwo ematanho ose anoumba:
(a)nhurikidzwa dzezvizita :
(b)nhurikidzwa dzenyaudzosingwi

(vi)
ZVINANGWA ZVEBHUKU

(h) Ndevo dzezvizita dzine zviwedzerwa


(i) Ndevobonga dzezvizita
(j) Zvirevo zvezvizita
(k) nyaudzosingwi
(l) ndevo dzenyaudzosingwi
(m) Ndevobonga dzenyaudzosingwi
(n) Zvirevo zvenyaudzosingwi

Misambo
Kuzazanura tsika nemagariro eVaShona pasichigare nanhasi sekubudiswa
kwazvinoitwa mumisambo inotevera:
(a) Indavhiyu
(b) Kuzvarwa nekutambirwa kwemwana pasichigare nanhasi
(c) N'anga nemabasa adzo
(d) Nyunyuto
(e) Makakatanwa
(f) Misambo yokutaura
(g) Mbereko muwanono pasichigare nanhasi
(h) Kubata maoko
(i) Muchato
(j) Kushandiswa kwedzinhare
(k) Nzira dzokupfimbana nokuroorana pasichigare nanhasi
(l) Nhaka pasichigare nanhasi
(m) Ukama pasichigare nanhasi

(vii)
ZVIRI MUKATI

CHIKAMU 1…………………………………………………………….............…………… 1
A.Nzwisiso: Nhetembo: Ini dhorobha reHarare………………….……………… 1
B.Pfupiso: Manyorerwe epfupiso……………………………..........……………. 4
C.Rondedzero: Chimiro cherondedzero………………………...........………….. 7
D.Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo: Nhurikidzwa yeZvizita.......... 8
E.Musambo: Indavhiyu……………………………………………………..…… 11

CHIKAMU 2…………………………………………….............…………………………… 16
A.Nzwisiso: Nzvimbo dzinoyera……...........……………………………………. 16
B.Pfupiso: Nyaya……...........……………………………………………………. 19
C.Rondedzero: Zvinhu zvinoda kuchenjererwa pakunyora rondedzero............... 22
D, Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo: Nzira dzokuisa mazita
mumipanda……...............................................................................………… 25
E.Musambo: Kutambirwa kwemwana pasichigare nanhasi.………………......... 28
CHIKAMU 3…………………………………………………………………………………. 32
A.Nzwisiso: Gomarara……………………………………………….....……………. 32
B.Pfupiso: Nhetembo……………………………………………………………........ 36
C.Rondedzero: Tsumo…………………………………………………......…………. 40
D.Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo: Zvisazitasingwi………........……. 43
E.Musambo: N'anga nemabasa adzo……………………………………………......... 46
CHIKAMU 4………………………………………………………………………………..... 50
A.Nzwisiso: Nhetembo: Ndini zvangu mwanasikana………………….....………….. 50
B.Pfupiso : Nhaurirano……………………………………………………....……….. 52
C.Rondedzero: Inobva pagirafu, tebhuru kana payichati………..........……………… 55
D.Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo: Chirevauwandu…….........……… 61
E.Musambo: Nyunyuto……………………………………………....……………….. 62

(viii)
ZVIRI MUKATI
CHIKAMU 5………………………………………......……………………………………..
A. Nzwisiso:Josiah Tungamirai………………………………….........………………….. 65
B. Pfupiso: Mutambo…………………………………...........…………………………… 65
C. Rondedzero: Tsamba yebasa…………………………......…………………………….. 68
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo: Zvipauro neZviitopauro……….......... 71
E. Musambo: Makakatanwa……………………………………………………………… 75
78
CHIKAMU 6 ……………………………………………………..…………………………
A. Nzwisiso: Kutapwa kwevanhu……………………………..……………………… 83
B.Pfupiso: Nhetembo……………………………………………….......……………….. 83
C.Rondedzero: Nhaurwa………………………………………………....……………… 87
D.Maumbirwo emutauro nemashandisirwo awo: Zvirevamwene neZviratidzi…….......... 89
E. Musambo: Misambo yekutaura...................................................................................... 92
CHIKAMU 7……………………………………….......……………………………………..95
A.Nzwisiso: Dambudziko ravahosi…………………………........……………………….102
B.Pfupiso: Nyaya……………………………………………………......………………..102
C.Rondedzero: Tsanangudzo…………………………………………….........…………..106
D.Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo: Zvinan'anuri neZviverengo.............…108
E. Musambo: Mbereko muwanano…………………………………........………………..109
CHIKAMU 8……………………………………………………………………………....... 111
A.Nzwisiso: Nhetembo yemhiramudzimu…………………………..........…………. 116
B.Pfupiso: Nhaurirano………………………………………………………...........……. 116
C.Rondedzero: Gakava………………………………………………………….........…. 118
D.Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo: Ndevo dzezvizita…………................120
E. Musambo: Kubata maoko……………………………………………………….......... 122
CHIKAMU 9…………………………………………………………………………........... 126
A. Nzwisiso: Humambo hwepasichigare……………………………………........……… 130
B. Pfupiso: Nyaya…………………………………….....………………………………. 130
C. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo: Ndevo dzezvizita dzine 134
zviwedzerwa……………………………………………………....……………………
136

(ix)
ZVIRI MUKATI

D. Musambo: Muchato…………………………………………………………….....…… 146


CHIKAMU 10………………………………………………....……………………………. 154
A. Nzwisiso: Muimbi wesungura: Alick Macheso……………………………………….. 154
B. Pfupiso: Nhetembo: ....................................................................................................... 157
C. Rondedzero: Mhan'aro………………………………………………………………. 162
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo: Ndevobonga
yezvizita……………..................................................................................................….. 165
E. Musambo: Kushandiswa kwenhare……….................………………………………… 165

CHIKAMU 11………………………………………………………………….....………… 170


A. Nzwisiso: Mhuka dzesango: Mvuu…………………………....……………………… 170
B. Pfupiso: Nyaya………………………………………………………..………………. 174
C. Rondedzero: Tsamba kushamwari/ hama……………………………….......………… 177
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo: Zvirevo zvezvizita………..........…… 180
E. Musambo: Nzira dzokupfimbana nokuroorana pasichigare nanhasi………............….. 180
CHIKAMU 12……………………………………………………………….........………… 184
A. Nzwisiso: Tsaona………………………………………………………..........…….… 184
B. Pfupiso: Nhetembo………………………………………………………............….… 187
C. Rondedzero: Girafu…………………………………………………………..........…. 189
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo: Nhurikidzwa yenyaudzosingwi......... 190
E. Musambo: Nhaka……………………………………………………………….....….. 192
CHIKAMU 13……………………………………………………………………………..... 200
A. Nzwisiso: Zvitendero………………………………………………………........…… 200
B. Pfupiso: Nyaya………………………………………………………………..........… 204
C. Rondedzero: Tsamba yebasa………………………………………………............…. 206
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo: Mashandisirwo enyaudzosingwi...... 206
E. Musambo: Ukama…………………………………………………….......…………… 207
CHIKAMU 14…………………………………………………………………........………. 212
A. Nzwisiso: Nhetembo: Pendeke mwana waamai…………………………..........…….. 212
B. Pfupiso: Nyaya………………………………………………………………......……. 215
C. Rondedzero: Tsumo…………………………………………………………….........… 217
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo: Ndevo dzenyaudzosingwi……............
218
(x)
ZVIRI MUKATI

E. Musambo: Dzokororo……………………………………………………………......... 219


CHIKAMU 15…………………………………………………………………………......... 220
A. Nzwisiso: Nhamo haibvi pane imwe………....……………………………………..... 220
B.Pfupiso: Nhetembo……………………………………………………….……............ 223
C.Rondedzero: Mhan'aro…………………………………………………………........... 225
D.Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo: Zvirevo zvenyaudzosingwi................ 225

CHIKAMU 16: BVUNZO DZOKUPERA KWEGORE


CHISHONA PAPER 1………………………………………………………………..…..... 226
CHISHONA PAPER 2………………………………………………………………….…... 231
DURAMAZWI…………………………………………………………….....…………… 238

(xi)
CHIKAMU 1
Zvinangwa zvechikamu 1
A. Nzwisiso: Ini dhorobha reHarare
Kujekesa kusabatwa zvakanaka kweguta reHarare.
B. Pfupiso: Manyorerwo epfupiso
Kutsanangura manyorerwo epfupiso.
C. Rondedzero: Chimiro cherondedzero
Kutsanangura manyorerwo erondedzero.
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo:
Nhurikidzwa yeZvizita
Kutsanangura nhurikidzwa yezvizita.
E. Musambo: Indavhiyu
Kutsanangura mafambisirwo eIndavhiyu

A NZWISISO: Nhetembo: Ini dhorobha reHarare

Verenga nhetembo inotevera ugopindura mibvunzo

Ini dhorobha reHarare


Imi vagari veHarare
Muri vagari veHarare pakudiiko kana ini ndakadai,
Ndakadai kusviba sendisakambochenawo mumakore ekare,
Ndasakara sedoo risakambodyiwa nyama,
Tsvina yerudzi rwose nezera rose muzinda wayo wava ini,
Ini here zvechokwadi?

Peji 1
Basa rokuita
a) Isa mazita anotevera mumipanda yakakodzera :
Rudo , ngoma, juru ,upfu,nyama,
zuva,varimi,zizi,kumaruwa,sekuru
nzizi, hova, seri, vatete, ambuya,
Harare, chana, zvirigo, zibenzi, kure (10)
b) Patsanura mazita aya uchiratidza zvipenga zvawo (10)

E MUSAMBO: Indavhiyu

Indavhiyu idare rinoitwa pakati pevaridzi wekambani kana chikoro nemutsvagi


webasa kana nzvimbo yekudzidza. Vanhu vazhinji vanodeedzwa kuindavhiyu
vanoenda vaine chivimbo chikuru chekuti vachanowanikwa pakati pevanhu
vachasarudzwa kuwana basa kana nzvimbo yechikoro. Kuvazhinji tarisiro
dzinosvodza nokuti vanotora indavhiyu setsiva yemurima vachingoti chero
ndapotsera chibhakera kurova soro remhandu kana madziro, hazvina anoziva.
Muchikamu chino tichaongoroora zvinangwa zveindavhiyu, zvinotarisirwa
kuitwa paindavhiyu yekutsvaga basa uye mhando dzeindavhiyu.

Peji 11
(a) Zuva reindavhiyu munhu anofanira kufamba, uye kusvika panzvimbo
Basa rokuita
yeindavhiyu pachine nguva ingaite awa kana chidimbu cheawa. Izvi
Tsanangura gadziriro inofanirwa
zvinobetsera mutsvagikuitwa nemutsvaki
webasa webasanguva yekuzorora
kuti awane
asati aenda kuindavhiyu [25]
akamirira chijana chake chekupinda. Kufamba nenguva

Tsvakurudzo
Itai tsvakurudzo yemhando dzeindavhiyu uchienzanisa kunaka kwemhando
imwe neimwe.

Peji 15
CHIKAMU 2
Zvinangwa zvechikamu 2
A. Nzwisiso: Nzvimbo dzinoyera
Kudoma nzvimbo dzinoyera nokutsanangudza
zviyerayera.
B. Pfupiso: Nyaya
Kunyora pfupiso yenyaya.
C. Rondedzero: Zvinhu zvinoda kuchenjererwa
pakunyora rondedzero
Kutsanangura zvinhu zvinoda kuchenjererwa
pakunyora rondedzero.
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo:
Nzira dzokuisa mazita mumipanda
Kutsanangura nzira dzokuisa mazita mumipanda.
E. Musambo: Kutambirwa kwemwana mutsva
pasichigare nanhasi
Kutsanangura tsika yokutambirwa kwemwana
pasichigare nanhasi.

A NZWISISO: Nzvimbo dzinoyera

Kubvira pasichigare, munyika muno magara muine nzvimbo dzinonzi dzinoyera


uye dzimwe dzacho dzichiri kuyereswa nanhasi uno. Nzvimbo idzi
dzinosanganisira ninga, masango, makomo nemapako kana kuti nzizi chaidzo.

Peji 16
kana ukuru hwechinhu/munhu. Vamwe vanotozviti zvivakashure zvetsanangudzo
nokuti zvinonyatsoburisa chimiro chechinhu kana munhu sokuti chi-sikana. Apa
paburitswa pfungwa yekudopeka. Mazuruse anoti zvivakashure zvedanho repiri
zvinosanganisira zvinodoma nzvimbo zvinoti; /pa-,ku-,mu-/ zvomupanda
16,17,18 ,sezvo zvichiburitsa pfungwa itsva yenzvimbo;pa-musha,ku-musha,mu-
musha.

Zvivakashure zvedanho repiri izvi, zvinogona kuvirikidzwa padzitsi rimwe chete


zviri kumashure kwechivakashure chemazuva ose, sokuti; pa- ka –chi –musha.
Zvivakashure izvi zvinotsoropodza kana kunyomba sokuti; svi–rume izvi
zvinotaridza kushoreka kwechinhu kana munhu.

Basa rokuita
1. Tsanangura nzira dzakasiyana-siyana dzinoshandiswa kuisa mazita
mumipanda yawo.(20)
2. (a) Tsanangura pfungwa dzakasiyana-siyana dzinobudiswa
nezvivakashure zvedanho repiri (10)
(b) Ndeupi musiyano uri pakati pezvivashure zvedanho
rokutanga nezvedanho repiri? (10)

E MUSAMBO: Kuzvarwa nokutambirwa kwemwana mutsva

VaShona vakagara vachiremekedza kumiswa kwemhuri kubva pasichigare,


nokudaro kubarwa nokutambirwa kwemwana mutsva chaive chiitiko chikuru
chaikosheswa. Muchikamu chino tichaongorora zvinhu zvaiitwa paizvarwa
nokutambirwa mwana pasichigare tichizvienzanisa nokutambirwa kwave kuitwa
vana mazuva ano.

Kuratidza kukosheswa kwemwana mutsva pasichigare, mwana aisangotambirwa


nemunhu wese wese. Kutambirwa kwemwana mutsva raive basa remadzimai
makuru aidaidzwa nezita rokuti vananyamukuta. Kazhinji vananyamukuta vaive
madzimai apera ura vaona zvinhu zvizhinji zvoupenyu. Madzimai aya ndiwo aive
nebasa guru rokuchengetedza upenyu hwemwana mutsva anenge asati amboona
zuva. Kusafambiswa zvakanaka kwebasa iri kwaireva kuenda
kwamupfiganembwe kwaamai zvese nemwana.
Peji 28
CHIKAMU 3
Zvinangwa zvechikamu 3
A. Nzwisiso: Gomarara
Kutsanangura chirwere chegomarara.
B. Pfupiso: Nhetembo
Kunyora pfupiso yenhetembo.
C. Rondedzero: Tsumo
Kutsanangura manyorerwo erondedzero yetsumo.
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo:
Zvisazitasingwi
Kutsanangura maumbirwo uye mashandisirwo
ezvisazitasingwi.
E. Musambo: N'anga nemabasa adzo
Kutsanangura n'anga nemabasa adzo.

A NZWISISO: Gomarara

Verenga ndima iyi ugopindura mibvunzo inotevera:


Kune zvirwere zvakawandisa pasi rino. Zvirwere izvi zvashaisa vanhu uvato pasi
rose. Zvimwe zvirwere zvinokonzera rufu munyika, zvakaita semukondombera
negomarara. Gomarara kana kuti nhuta chirwere chakaipa zvikuru icho chinoita
kuti nyama dzemuviri dzinge dzichimera nenzira dzakasiyana zvichikanganisa
utano hwemunhu. Chirwere chegomarara chinogona kubata kana ipi zvayo
nhengo yemuviri, semapapu, mudumbu, mazamu, chibereko nezvimwewo.
Hazvinei kuti munhurume kana munhukadzi. Chirwere ichi rava gangaidza
mukenyi mhezi yavavira mudumbu.

Dzimwe mbongorori dzechirwere ichi dzinoti, gomarara mubatanidzwa


wezvirwere zvakasiyana- siyana izvo zvinokonzera kukura kwedzimwe nhengo
zvisina mugumo. Gomarara rinogona kupararira kune dzimwe nhengo dziri

Peji 32
E MUSAMBO: N'anga nemabasa adzo

N`anga munhu anouka, kushopera uye kurapa kana kukuvadza achishandisa


midzi kana mashizha zvinobva pamiti yakasiyana-siyana. Mukuita basa rayo,
n`anga inoshandisa hakata dzakasiyana-siyana, asi dzainyanyoshandiswa
ndedzinoti, chitokwadzima nachirume (dzaimirira mashavi nemidzimu
yevanhurume), nhokwara nakwami ndidzo dzinonzi dzinomirirawo mashavi
echikadzi.(Gombe:142) Hakata idzi dzaigadzirwa kubva kumakwati
emiti,ehamba kana ezvipuka zvemumvura, dzimwe dzaitove shomwe. Mukuita
basa rayo, n`anga yaibatsirwa namakumbi. Basa ramakumbi raive rekuturukira
vabatsirwi zvaitaurwa nen`anga nemutauro unenge uchizivikanwa nekunzwika
neavo vanenge vachibatsirwa, sezvo mutauro wen`anga waisazivikanwa
nemunhu nje.Makumbi ndiye zvakare aibata homwe yen`anga.Homwe iyi
yaigara makona nehakata dzen`anga.Makumbi zvakare ndiye aitumwa nen`anga
kana pane zvainenge ichida kana ichiita basa rayo sekundochera
mutombo.Nekuda kwekushandidzana nen`anga, vamwe vanamakumbi
vaitopedzisira vave varapi vakuru.

Peji 46
yatove muenzi uko inenge yakokwa. Kazhinji shavi rinobuda pan`anga
nderasekuru kana mbuya,naizvozvo paitodiwa chamba chefodya chaipiwa
n`anga iyi sechimwe chezvipeto.Murwere kana nyakuda rubatsiro aizobvisawo
huku yetsamutombo senzira yekubhadhara kutemwa nyora nekutsvagirwa
mishonga musango.Mushure mekutema nyora, kuruma kana kutodogora
zvikandwa zviri mumuviri wemurwere,n`anga yaizodawo chipeto
chetsvusamukanwa chinove chekuchenesa kana kusuka mukanwa men`anga
munenge matsvukiswa neropa remurwere.Chipeto chekupedzisira ishano. Uyu
ndiwo waive mubhadharo webasa rose rinenge raitwa nachiremba. Murwere
aigona kubhadhara huku,mbudzi , mombe kana mukadzi (mwanasikana)
zvichingoenderanawo nedambudziko remurwere.

Simba ren`anga nhasi uno


Kunyange zvazvo n`anga dzichiri kuwanikwa muZimbabwe, dzave shoma uye
hadzichanyanyi kupiwa ruremekedzo rwadzaimbowana pasichigare. Mazuva
ano hama kana mwana akarwara chinotanga kumhanyira mupfungwa dzedu
kuenda kuchipatara kundoona mukoti kana chiremba, ndidzo dzave n`anga
dzamazuvano, dzakadzidzira basa racho.Vamwewo ndivo vanomhanyira
kumakereke kwavo nemurwere ondonyengetererwa, havachadi kunzwa
nezven`anga, sezvo vanozviona semweya wetsvina, uye zvinosemesa Mwari.
Naicho chirungu chakadai kuuya ichi, zvave kutonyadzisa kunzwa kuti ngana
aenda kun`anga, sezvo n`anga nemashavi ayo ainoshandisa pamwe nehakata
dzayo zvichinzi ndezvekare uye zvemanyepo. Ndiyaniwo achada kutemwa nyora
mukore uno naizvo zvirwere zvisingarapiki zvadai kupararira nenyika? Vanhu
vave kutya kutapurirana shuramatongo kun`anga kana kuzvigokera zvirwere
zvegomarara paya panochekwa nyora. Nekuda mari zvakanyanya,dzimwe
n`anga dzave dzemanyepo naizvozvo, vazhinji nhasi uno havachadi kunzwa
nezvadzo. Izvi ndizvo zvezvimwe zvikonzero zvave kuita kuti n`anga dzishaye
chiremera muupenyu hwanhasi, kunyange zvazvo dzimwe dzakaita saSekuru
Banda naNdunge kuManicaland dzichine mbiri .

Basa rokuita
1. N`anga dzinoti kubatsira dzikati kuparadza.Tsigira pfungwa iyi
wakanangana nemabasa en`anga.(20)
2.(a) Tsanangura zvipeto zvinobviswa kun'anga uchiburitsa kukosha
kwechipeto chimwe nechimwe(15)
(b) Tsanangura zvava kuita kuti n’anga dzishaiwe chiremera muupenyu
hwanhasi.(5)

Peji 49
CHIKAMU 4
Zvinangwa zvechikamu 4
A. Nzwisiso: Nhetembo: Ndini zvangu mwanasikana
Kujekesa mhangwa dzanyanduri munhetembo.
B. Pfupiso : Nhaurirano
Kunyora pfupiso kubva panhaurirano.
C. Rondedzero: Inobva pagirafu, tebhuru kana payi
chati
Kutsanangura manyorerwo erondedzero inobva
pagirafu, tebhuru kana payi chati.
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo:
Chirevauwandu
Kutsanangura maumbirwo uye mashandisirwo
echirevauwandu.
E. Musambo: Nyunyuto
Kutsanangura musambo wenyunyuto.

A NZWISISO: Nhetembo: Ndini zvangu mwanasikana

Verenga nhetembo iyi ugopindura mibvunzo inotevera.

Ndini zvangu mwanasikana

Ndimbori chii kune vasingazivi ini mwanasikana?


Ndiri chikorobho chinodiwa mvura yateuka.
Ndinotorwa sechikwambo chinotarisirwa kuunza noto mumusha,
Ndisimudzireiwo munditsigise gidi muhondo yedzidzo,
Ndigorega kuva mupemhi wedzomurume homwe,
Ndigokwanisawo kuverenga nokunyora.
Pandinonyimwa ini ndonyimawo ndakamupa gotsi.
Ndadaro mumba chava chimurenga.
Konzi wava pfambi nokuti wareva mari.

Peji 50
Basa rokuita

Verenga mitsara inotevera ugopindura mibvunzo


(i) Isu tomene tasvetuka gomba guru.
(ii) Vakomana voga ndivo vari kudiwa.
(iii) Pamba poga poga panosvikwa.
(iv) Vanhu vose vanogona kubatira korera.
(v) Nguva dzose vakomana nevasikana vanotamba chitsveru.
(vi) Fambai rwendo rwenyu moga.
(a) Nyurura zvirevauwandu zvose kubva pamitsara
yakapiwa. (6)

E MUSAMBO: Nyunyuto

Kunyunyuta kuratidza kusagutsikana mushure mekusabatwa zvakanaka


mumahofisi emabasa, muzvitoro, muzvipatara, mumichovha
nemukukugarisana. Muchikamu chino tichaongorora zvimwe zvezviitiko
zvinoita kuti vanhu vanyunyute uye nzira yakanaka yokunyunyuta nayo.

Peji 62
Chimwe chakakosha panyunyuto ndechokuti nyakunyunyuta anofanirwa kuziva
kwokunyunyutira. Izvi zvinobatsira kuti nyakunyunyuta akasire kuwana
rubatsiro. Kazhinji kacho kana munhu asina kubatwa zvakanaka anopedzisira
ongonyunyutira munhu wese pangava pabasa, pachipatara kana pachikoro. Izvi
zvinozotsamwisa vanhu vazhinji vasina mhosva. Kazhinji kana munhu asina
kufadzwa nemabatirwo aanenge aitwa anokurudzirwa kuona vakuru vepabasa,
chipatara kana chikoro. Mamwe mapazi ehurumende, makambani nemabhanga
vanoisa mabhokisi kuti veruzhinji vataure kunaka kana kushata kwemabatirwo
avanenge vachiitwa. Kana nyunyuto ichiitwa pachigarisani nyakunyunyuta
anogona kutuma sahwira wemunhu waari kunyunyutira kuti andotaura naye. Izvi
zvinobatsira kuti vaviri vayanane.

Kana munhu achiita nyunyuto ine chekuita nekutengeseranwa kwezvinhu


zvakakosha kuti nyunyuto iyi iitwe nokukasira munhu achine humboo hwechinhu
chaatengeserwa chisina kumufadza. Kunyunyutazve nokukasira kunobatsirazve
kuti nyaya igadziriswe vanhu vose vachiri kutondera zvakaitika, uye nyakubatsira
munyunyuti achawanika pabasa, sezvo mikana yekuchinja mabasa uye kuchinja
pokushandira iri mikuru.

Basa rokuita
1. (a) Tsanangura zviitiko zvoupenyu zvitatu
zvinoita kuti vanhu vanyunyute.(10)
(b) Tsanangura zvinotarisirwa kana munhu
achinyunyuta.(10)

Peji 64
CHIKAMU 5
Zvinangwa zvechikamu 5
A. Nzwisiso:Josiah Tungamirai
Kupa nhoroondo yebasa raJosiah Tungamirai muhondo
yerusununguko.
B. Pfupiso: Mutambo
Kunyora pfupiso kubva mumutambo.
C. Rondedzero: Tsamba yebasa
Kutsanangura manyorerwo etsamba yebasa.
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo:
Zvipauro neZviitopauro
Kutsanangura maumbirwo uye mashandisirwo
ezvipauro nezviitopauro.
E. Musambo: Makakatanwa
Kutsanangura musambo wemakakatanwa.

A NZWISISO: Josiah Tungamirai

A.Josiah Tungamirai
Peji 65
vi) Wave nevana vangani iye zvino?
vii) Mukomana mushava uyo haana utano.
a) Nyurura zvipauro zvose zviri muzvirevo izvi ugozvinyora uchiratidza
mhando dzazvo.(10)
b) Nyora zvakare zvirevo zvinotevera uchiita kuti mazwi akatarwa pazasi pawo
ave zvipauro.
i) Vana vechikoro vakapfeka hembe dzakachena.
ii) Shamhu yakapfupika ndiyo yatarohwa nayo nemapurisa.
iii)Usapfekedza mwana hembe yakanyorova.
iv) Varume vakareba ndivo vanodiwa kubasa rechipurisa.
v) Mombe yakatsvuka iyo yaramba kupinda mudhibha(5)

2. Zviitopauro zvinoshanda sezvinongoita ndevo dzezvizita. Tsigira pfungwa iyi


nemienzaniso yakakodzera. (20)

E MUSAMBO: Makakatanwa

Makakatanwa kusawirirana pakati pevanhu vaviri, mapoka evanhu kana nyika.


Kana makakatanwa akatadza kugadziriswa zvakanaka, anokonzera
matambudziko akati wandei kumhuri, vagarisani, nyika uye mudzisvondo.
Muchikamu chino tichaongorora, zvinhu zvinokonzera makakatanwa, mhando
dzemakakatanwa nematambudziko anozounzwa nemakakatanwa uye nzira
dzinogona kushandiswa kugadzirisa makakatanwa.

Zvinhu zvinokonzera makakatanwa


Tsvagurudzo uye ongororo yakaitwa nevanyori inonyatsoratidza kuti
makakatanwa mazhinji anokonzerwa nemafungiro uye maonero ezvinhu
akasiyana. Kazhinji mumabasa uye munharaunda vanhu vakaona chinhu
zvakasiyana, mbeu yemakakatanwa inenge yatodyarwa. Mhodzi iyi
inozodiridzirwa nekushaikwa kwemukana wekukurukura maonero anenge
akasasiyana-siyana uye kutsvaga nzira yekugadzirisa makakatanwa aya.
Hezvinoi zvimwe zvezvinhu zvinokonzera makakatanwa munzvimbo
dzakasiyana.

Zvinonyanyokonzera makakatanwa mumhuri


· Humbimbindoga
· Pfuma yenhaka
· Kusavimbika muwanano
· Kusaremekedzana

Peji 78
CHIKAMU 6
Zvinangwa zvechikamu 6
A. Nzwisiso: Kutapwa kwevanhu
Kutsanangura zvinoitika mukutapwa kwevanhu.
B. Pfupiso: Nhetembo
Kunyora pfupiso yenhetembo.
C. Rondedzero: Nhaurwa
Kutsanangura manyorerwo erondedzero yenhaurwa.
D. Maumbirwo emutauro nemashandisirwo awo:
Zvirevamwene neZviratidzi
Kutsanangura maumbirwo nemashandisirwo
ezvirevamwene nezviratidzi.
E. Musambo: Misambo yokutaura
Kutsanangura misambo yokutaura.

A NZWISISO: Kutapwa kwevanhu

Verenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo

Dambudziko rokutapwa kwevanhu igangaidza mukwenyi mhezi yavavira


mudumbu pasi rose. Kutapwa kubatwa nokuendeswa kwevanhu kune dzimwe
nzvimbo dzenyika vachindoitiswa mabasa akasiyana-siyana zvisiri pamutemo.

Peji 83
4
E MUSAMBO: Misambo yokutaura
Mukugarisana kana vanhu vachitaurirana vanofanira kushandisa mutauro
unoenderana neukama hwavo, nzvimbo nemazera avo. Izvi ndizvo zvinotarisirwa
mukurarama kwaVaShona. Mutauro unotakura unhu uye magariro avanhu, saka
pakutaurirana apa panoburitsa unhu hwevataurirani. Munhu akangotaura apa
pasina kuti mambogarisana anokuratidza tsika neunhu hwake. Mutsika dzedu isu
VaShona, tine matauriro akafanira uye anotarisirwa kuvanhu vakasiyana . Hatingoti
chero matauriro ataita kumapoka akasiyana evanhu, zvese nenzvimbo yatinenge
tiri. ChiShona chinoti munhu anofanira kushandisa musambo unotarisirwa panguva
dzose zvichienderana nokuti waanenge achitaura naye anomuudza chii. Musambo
wega wega unofanira kuenderana nemazera evanhu, zviitiko uye nenzvimbo
dzavanenge vari.

Chinodiwa pakutaurirana ndechokuti, kuti munhu azive matauriro akanaka


anotarisirwa nevanhu vose kuvanhu ane rukudzo, uye anoteverana nezvirongwa
zvetsika dzeChiShona. Tsika dzeChiShona dzinoti, munhu azvirereke kana
achitaura kuna amai vake kana baba vake, ambuya kana atezvara, ambuya vatete
kana vasekuru, sekuru kumuzukuru, kana iyewo muzukuru kuna sekuru, mukoma
kumunin'ina, iyewo munin'ina kumukoma, hanzvadzikomana kuhanzvadzisikana,
iyowo hanzvadzisikana kuhanzvadzikomana, vatezvara kuvaroora vavo, ivowo
varoora kuna vatezvara navamwene vavo, vakwasha kuna vatezvara navambuya
vavo, ivowo vatezvara navambuya kuvakwasha vavo.

Musambo wekutaura, matauriro akafanira uye anotarisirwa pakati pevanhu vari


kutaurirana. Musambo wematauriro unosiyana zvichienderana neukama huripo
pakati pevatauri, zera revatauri uye nzvimbo iri kutaurirwa. Kana ukatadza
kushandisa musambo wakakodzera kutura mashoko edu, pfungwa dzatinenge
tichida kuti dzisvike pamusoro pechiitiko ichocho dzinokanganisika. Saka,
kubudirira kwemusambo kunouya kana tikagona kushandisa musambo
unoenderana nepatiri.

Kune zvakawanda zvinofanirwa kutariswa kuti munhu agone kusarudza musambo


wakafanira. VaMafutumari vanoti pfungwa dzinotevera dzinofanira kutevedzwa
kana tichida kubudirira mukutaurirana kwedu.

Kucherechedza vanhu vatiri kuda kushandisira musambo watasarudza


panguva iyoyo.
Tinofanirwa kuziva kuti vanhu vatiri kutaura navo ndivanaani. Dzimwe nguva
Peji 95
CHIKAMU 7
Zvinangwa zvechikamu 7
A. Nzwisiso: Dambudziko ravahosi
Kujekesa matambudziko ebarika.
B. Pfupiso: Nyaya
Kunyora pfupiso.
C. Rondedzero: Tsanangudzo
Kutsanangura manyorerwo erondedzero
yetsanangudzo.
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo:
Zvinan'anuri neZviverengo
Kutsanangura maumbirwo uye mashandisirwo
ezvinan'anuri nezviverengo.
E. Musambo: Mbereko muwanano
Kutsanangura maonerwo embereko muwanano

A NZWISISO: Dambudziko ravahosi

Peji
Peji102
4
muChizukuru kana muChiramu, hazviitirwi mutorwa. Rukudzo pakati pevatorwa
runogona kuratidzwa nekushandiswa kwemitupo nezvidawo mukubvunzana
upenyu. Vatorwa havashandisirani mazita chaiwo pakutaurirana nokuti izvi
zvinonzi hazvina rukudzo. Kana vasingazivane mitupo vanotofanira kutobvunzana.
Vatorwa vanoshandisa manzwi ose anoratidza kuremekedzana. Vanobvunzana
upenyu vachiombera.

1. Tsanangura zvinhu zvinokosha pakusarudza musambo wokutaura


wakakodzera. (20)
2. Tsanangura fanano nesiyano yechishamwari nechisahwira (20)
3. Tsanangura zvizere musambo wechinyarikani uchijekesa
paunowanikwa. (20)

Peji 101
CHIKAMU 8
Zvinangwa zvechikamu 8
A. Nzwisiso: Nhetembo yemhiramudzimu
Kujekesa tsika yokupira mudzimu.
B. Pfupiso: Nhaurirano
Kunyora pfupiso yenhaurirano.
C. Rondedzero: Gakava
Kutsanangura manyorerwo erondedzero yegakava.
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo:
Ndevo dzezvizita
Kudoma mhando nekutsanangura mashandisirwo
endevo dzezvizita.
E. Musambo: Kubata maoko
Kutsanangura musambo wokubata maoko

A NZWISISO: Nhetembo yemhiramudzimu

Verenga nhetembo inotevera ugopindura mibvunzo

Tamedzwa neshangwa
Madzitateguru, Nyabwizu!
Ndimi muri Gwaranenzwara naSvisvamoyo
Mupararano, Maromo newe Nyamhanza.
Ndimi muri kuMatawo nyika nyoro.
Nemi mose muri kunyikadzimu.
Ndimi utiziro hwedu mhanduwe!
Ndimi nhowo yedu, madzitateguru!
Hatingashaye wekusuma matama atiinawo muri kwamuriko!
Madzitateguru, Nyamusimira newe Chiyekwa Nzirawa!
Tiitireiwo chitetatsiye isu ropa renyu.
Zvichemo zvedu zviende mberi ikoko!
Ndimi muri muninga nemumatenhere.
Tagurukuta tarisai nyika zvayava rugangarahwe!

Peji 116
E MUSAMBO: Kubata maoko

Rufu murau waMwari wakagara uripo, vechikirisitu vanoti rufu rwakaunzwa


nekutadza kwavanhu vekutanga. VaShona vanotendera kuti rufu runounzwa
sekuda kwaNyadenga, kwete nemunhu nokuti kufa murawo waMwari, izvi
zvinobuda mumatetembedzo mazhinji aVaShona, somuenzaniso mudetembo,
Kunyaradza afirwa panonzi, “Denga iri ndiMapa, pamwe ndiMabvuta”
zvichireva kuti rufu rwaiuya zvisina anoziva kana kuda, uyezve hapana anoramba
rufu, rwunongotora madiro.

Pasichigare kana kwafiwa paiva netsika yokubata maoko. Kubata maoko itsika
ichiri kuitwa chero nanhasi uno, kunyangwe zvazvo zvava nekamwe
kakushanduka kubva pamaitirwo azvaiitwa pachinyakare. Kubata maoko
kuchema pamwe chete neafirwa. Vamwewo vanoti, kuchema pamwe chete
neanenge afirwa. Tsika iyi yaiitirwa kudembedzana nevafirwa kuitira kurerutsa
kufunganya kwavo mudambudziko rinenge ravawira.Pasichigare aibatwa maoko
munhu anga ari pedyo pedyo nanyakufa uye hama dzepedyopedyo nemufi.
Mazuva ano zvava kungoti chero munhu ari panhamo ave kubatwa maoko.

Tsika yekubata maoko iyi inoitwa vanhu vachibatana maoko chaiwo, sezviya
zvinoitwa kana vanhu vachikwazisana. Munhu anenge akanyanyokosha
pakubatana maoko apa ndiye anenge ari pedyo nemufi, saka munhu wese anouya
parufu anoedza zvikuru kunyangwe pangaite vanhu vakawanda zvakadii kuenda
pedyo neange ari pedyo kumubata maoko. Kazhinji munhu akasvika panhamo
anoedza nepese paanogona kubata munhu wese aripo maoko nokuti kazhinji
munhu wese anenge aripo anenge ane ukama nanyakufa hunogona kuva ukama
chaihwo hweropa kana hwekungogarisana. Vavariro kazhinji kunenge kuri
kundopinda muimba inenge ine hama zhinji dzepedyo nemufi.

Pakubata maoko, munhu haangobati chanza chemunhu kana kungopurura


chanza chemunhu akasona muromo, asi panofanira kuva nemashoko
ekunyaradzana nanyakubatwa maoko uyu. Mashoko anowanza kutaurwa ndiwo
anoti nematambudziko, nedzoi dzinoparadza, nematambudziko, nemamwewo
zvichisayana nenzvimbo dzatinogara. Mamwe emashoko anogona kutaurwa
pakunyaradza vafirwa ndeanotevera anobva mudetembo, Kuchema uye
Kushopera.

Peji 127
rwakakwana kuti chii chakatora nzvimbo. Anoziva uyu anotsanangura kazhinji
rwendo rwakapoteredza mufi zvikuru mazuva ake ekufa, zvaayita achiri mupenyu
kana mashoko akapedzisira kutaura. Uku kutaura kunotapudzawo shungu mukati
mevanhu vanenge vachichema.

Kubata maoko yaiva tsika yakanga yakanyanya kukosha pasichigare. Yaibatsira


kurerutsa nhamo, sezvo hama dzaichema pamwe chete. Mazuva ano tsika iyi iri
kuita ichipera zvishoma nezvishoma semaperero ari kuitawo dzimwe tsika
dzepasichigare. Tikaramba takapeta maoko chokwadi tsika iyi inonyangarika
sedova. Mazuva ano vanhu vave kungobata maoko panharembozha dzavo, kwave
kungotumira mashoko ekubata maoko. Nedzoi, nedzinoparadza,
nematambudziko (M.H.S.R.I.P) ndiwo mashoko ongofambiswa nenharembozha
idzi, mumoyo hamuchina kana rudo rwekuchema pamwe chete.

Basa rokuita
1. Tsanangura mutauro nemaitiro anotarisirwa pakubata maoko
uchiburitsa kukosha kwazvo muupenyu hwaVaShona (20)
Kubata maoko kwakakosherei muupenyu namagariro evashona?
(10)

Peji 129
CHIKAMU 9
Zvinangwa zvechikamu 9
A. Nzwisiso: Humambo hwepasichigare
Kutsanangura tsika youmambo pasichigare.
B. Pfupiso: Nyaya
Kunyora pfupiso yenyaya.
C. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo:
Ndevo dzezvizita dzine zviwedzerwa
Kutsanangura ndevo dzezvizita dzine zviwedzerwa.
D. Musambo: Muchato
Kutsanangura tsika yomuchato

A NZWISISO: Humambo hwepasichigare

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo


Padare raPfupajena, mujinga meChikato, kwaChitsa, kwaGutu, shasha iri
kukurukurira vanakomana vayo vaviri nyaya youshe. 'Munoona vanangu, nyaya
iri pano ndeiyi. Shoko rasvika richiti kwanzi She Magen'a akafa uko kwakare
kumatongo edu kuChandarwarira, kwaChirimuhanzu. Zvino ndinofanira kuti
ndiende ndinozvionera.'Munoyeuka kuti ndakakutaurirai kuti Magen'a akaita
zvokupamba ushe auraya baba vangu, Shumba, ndokuvakanda
muGonawapotera nokuti ndivo vakanga vagadzwa ushe nababa vavo
Chipeperekwa vafa.'
'Hongu tinoyeuka.'
'Izvi ndizvo zvakazosakisa kuti ini navanun'una vangu titizire kuno kwaGutu
tichisiya nyika yamadzibaba edu kwakare kwaChirimuhanzu. Muri kunzwisisa
zvandiri kutaura here, vanangu?'
‘Hongu, baba, tiri kuzvinzwisisa.'
'Muchayeuka here kuti ndakati kana shato ikafa inosiya chii, iwe Tichatonga?”
'Makati inosiya nzvenzvana yayo.' Ndizvozvo. Ndakati nzvenzvana inosara
ichitsvakei, iwe Murovasango?'
'Makati inosara ichitsvaka-tsvaka tsvana kana kuti hwishu. Izvi maireva kuti
Peji
Peji130
4
ava vanongobatwa zvakafanana nemukadzi akanyoreswa pamuchato. Vakadzi
ava nevana vanodyawo nhaka yababa vavo. Kana murume nemukadzi
vakarambana panobviswa gupuro aramba wacho anopa munyai gupuro oenda
naro kuvabereki vemukadzi vakarambana vanofanira kuenda kudare
kwavakachatira kundogurisa muchato wavo. Mubvunzo wekutanga unobvunzwa
wakarambwa ndewekuti, akapihwa gupuro here. Muchato uyu unogurwa chete
mudare remudunhu kana kuti pavakachatira ipapo.

Muchato weChaputa 5.07 wakasununguka sezvo vanhu vachishandisa chivanhu


chavajaira. Muchato uyu wakanakirawo kuti mukadzi nevana vafirwa vazove
vadyi venhaka, sezvo muchato uchivapa simba rekusabvutirwa nhaka nehama
dzemufi.

Muchato uyu unoda murume nevakadzi vakavimbika, sezvo uchigona kuunza


zvirwere mumhuri. Murume nevakadzi vake vanofanira kugadzirisana
makakatwana zvakanaka uye kuda vakadzi zvakaenzana, pasina rusarura ,sezvo
barika uri moto unopisa.

Basa rokuita
1. Donongodza matanho anotorwa kuti vanhu vachate. (20)
2. Tsanangura mhando dzemuchato dzakasiyana uchiburitsa
zvakanakira nekuipira mhando imwe neimwe. (20)
3. Semaonero ako muchato wakakosha here pakubatanidza mhuri
nekuunza mufaro? (10)

Peji 153
CHIKAMU 10
Zvinangwa zvechikamu 10
A. Nzwisiso: Muimbi wesungura: Alick Macheso
Kupa nhoroondo yaAlick Macheso.
B. Pfupiso: Nhetembo
Kunyora pfupiso yenhetembo.
C. Rondedzero: Mhan'aro
Kutsanangura manyorerwo erondedzero
yemhan'aro.
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo:
Ndevobonga dzezvizita
Kutsanangura ndevobonga dzezvizita.
E. Musambo: Kushandiswa kwenhare
Kutsanangura kushandiswa kwenhare.

D NZWISISO: Muimbi wesungura: Alick Macheso

Peji 154
MAUMBIRWO EMUTAURO NEMASHANDISIRWO AWO:
D Ndevobonga dzezvizita

Maumbirwo endevobonga yechizita


+/- Muiti + Chiitwa
Sabhuku ava imhombwe
_________ imhombwe
Muiti indevo yechizita. Muiti anogona kuvapo kana kusavapo asi chiitwa
chinototi chivepo.Chiitwa indevo yechindori.Ndevobonga dzezvizita
dzinowanikwa muzvirevo zvezvizita dzichishanda sendevobongasimboti
yechizita kana ndevobongatsigiri.

Basa rokuita
Verenga zvirevo zvinotevera ugopindura mibvunzo iri pazasi pacho.
(i) Munhuwi wehove ndomumwe chete.
(ii) Heyo tsvimbo yenyu.
iii) Mbavha imhondi.
(iv) Mota nemidhudhudhu zvikara zvemuHarare.
(v) Matanda makuru masairirwa.
(vi) Ndizvozvowo nekumwa hwahwa.
(vii) Dundundu ihozi.
(viii) Nyakupara mhosva ndiye mutsigwa nebonza.
(a)Tsanangura zvizere maumbirwo endevobonga yechizita (5)
(b)Taridza zvipenga zvakaumba ndevobonga dziri pamusoro (15)

E MUSAMBO: Kushandiswa kwedzinhare

Kufambiswa kwemashoko mukurarama kwezuva nezuva kwakareruswa nekuuya


kwemichina mitsva yokufambisa mashoko yakaita sembozhanhare,
makombiyuta, nhare nezvimwewo. Muchikamu chino tichaongorora musambo
yakakodzera pakushandisa nhare semudziyo wokufambisa mashoko pakati
peshamwari, vanhu vanoremekedzana pamwe nemumabasa.

Peji 165
dzinenge dzichikurukurwa kumunhu waanenge achitaura naye kekutanga uyo
waasati anyatsoziva. Izvi zvinobatsira kuchengetedza mashoko nokuti kune
vamwe vanhu vanokwanisa kufona vachinyepa mazita avo nechinangwa
chokutapa mashoko. Kutaura zvakawandisa kunoisa munhu panjodzi yokupa
munhu mashoko asiri ake.

Kushandiswa kwenhare pakati pevanhu vanoremekedzana


Mashandisirwo enhare pakati pevanhu vanoremekedzana kwakasiyana
nemashandisirwo adzinoitwa pakati peshamwari, pamabasa uye pakati pevanhu
vasingazivani. Kana vanhu vanoremekedzana vachitaurirana parunhare
vanoshandisa mutauro werukudzo neChinyarikani. Kazhinji vanhu
vanoremekedzana vanosanganisira vabereki nevana vavo, mukuwasha
nemadzitezvara, mushandi nemushandirwi, mudzidzisi nemudzidzi
nevamwewo. Mukutaurirana uku, munokwazisanwa nokubvunzana mufaro uye
hamutaurwi zvakatsveruka.

Basa rokuita
1. Tsanangura zvinhu zvinokanganiswa nevanhu
mukushandisa nhare dzepabasa (20)
2. Donongodza kukosha kwenhare mumagariro anhasi
(20)

Tsvakurudzo
Ita tsvakurudzo yezvimwe zvinhu zvinofanirwa kukosheswa kana vanhu
vachishandisa nhare dzepabasa.

Peji 169
CHIKAMU 11
Zvinangwa zvechikamu 11
A. Nzwisiso: Mhuka dzesango: Mvuu
Kutsanangura mararamiro emvuu.
B. Pfupiso: Nyaya
Kunyora pfupiso yenyaya.
C. Rondedzero: Tsamba kushamwari/ hama
Kutsanangura manyorerwo etsamba kushamwari
kana kuhama.
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo:
Zvirevo zvezvizita
Kutsanangura zvirevo zvezvizita.
E. Musambo: Nzira dzokupfimbana nokuroorana
pasichigare nanhasi.
Kutsanangura nzira dzokupfimbana nokuroorana

A NZWISISO: Mhuka dzesango: Mvuu

Verenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo.

Peji 170
MAUMBIRWO EMUTAURO NEMASHANDISIRWO AWO:
D Chirevo chechizita

Maumbirwo
Ndevobongasimboti yechizita +/- Ndevobongatsigiri
Murume uyu ndibaba vangu ibenzi
Murume uyu ndibaba vangu.

Ndevobongasimboti yechizita inenge iri ndevobonga yechizita yabva padanho


rechina, inototi ivepo,asi ndevobongatsigiri inenge iri chero ndevobonga ingava
yechizita kana yechiito, uye haisungirwi kuti ivepo.

Basa rokuita
1. (a) Tsanangura nemienzaniso yakasiyana-siyana maumbirwo echirevo
chechizita. (5)
(b) Rondorodza nhurikidzwa yezita uchitsigira nemienzaniso. (15)

E MUSAMBO: Nzira dzokuwanana pasichigare

VaShona vanhu vanokoshesa wanano nokuva nemhuri. Pamaonero eVaShona


munhu wese anotarisirwa kuroora kana kuroorwa achiita vana. Kupfurikidza
nepfungwa iyi, pasichigare kwaiva nenzira zhinji dzokuwanana dzinoti
musengabere, kuganha, kukumbira, ngozi, kutema ugariri nedzimwe
dzakasiyana-siyana. Muchikamu chino tichakurukura pamusoro penzira
dzokuroorana pasichigare tichitarisa zvakare musiyano wavapo pakuwanana
kwemazuva ano.

Musengabere
Zvaiitika pamusengabere ndezvokuti, mukomana ainge apfimba musikana
kwenguva refu, asi achirambwa. Zvaizoitika ndezvokuti mukomana
aizopedzisira aronga zvokuvandira musikana uyu kutsime kana kuhuni. Jaya
raingosvikosimudza musikana ndiye kapa pamafudzi kunanga naye kugota
kwaro. Musikana aigona kuridza mhere achirwisa, asi zvaishaya basa nokuti

Peji 180
CHIKAMU 12
Zvinangwa zvechikamu
12
A. Nzwisiso: Tsaona
Kutsanangura zvinoitika mutsaona
B. Pfupiso: Nhetembo
Kunyora pfupiso yenhetembo.
C. Rondedzero: Girafu
Kunyora rondedzero inobva pagirafu.
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo:
Kutsanangura mhando nemaumbirwo enyaudzosingwi.
Kutsanangura nhurikidzwa yenyaudzosingwi.
E. Musambo: Nhaka
Kutsanangura tsika yenhaka

A NZWISISO: Tsaona

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo

Peji 184
Basa rokuita
1. (i)Pfungwa dzake dzakati nakei.
(ii) Ati tore juzi rake ndiye tande kuchikoro.
(iii) Nzeve dzangu dzati ngwi-i ndokubva ndaziva kuti ndiri kurehwa.
(iv) Takanga tawirirana kuramba mhosva iye ndiye pishinu kwava
kufushunura zvose.
(v) Paakawanikwa achiba akaramba akangoti tsiki tsiki nokunyara.
(vi) Akarwara zvekuti ganda rake rakasara rakati zhwe-e kana kuti cheneru.
(vii) Akati kiyinu, gonhi ndiye bheu jongwe raivemo richibva rati kukurigo-o.
a) Nyurura nyaudzosingwi dzinowanikwa muzvirevo izvi (10)
b) Zvino chinyora zvakare nyaudzosingwi idzi muzvikwata zvemhando dzadzo
ugodoma mhando imwe neimwe (10)

E MUSAMBO Nhaka

Chi chinonzi nhaka?


Kugovewa kwepfuma uye kuva muridzi wepfuma inenge yasiiwa nemufi. Pfuma
iyi inosanganisira ivhu, zvivakwa zvakaita sedzimba, zvitoro, mabhizimusi,
midziyo yepamusha, motokari, zvipfuyo, mari, maakaundi ekubhanga, zvikwereti
uyewo mukadzi kana vakadzi vanenge vasiiwa nemufi.

Muchikamu chino tichatarisa kugarwa uye kugoverwa kwenhaka pasichigare uye


zvaveko mazuva ano takatarisa kuti mitemo yenyika ino inoti kudini maererano
nekugovewa kwenhaka.

Nhaka yemukadzi
Patsika nemagarire edu eChiShona, mukadzi anenge afirwa nemurume aitarisirwa
kuti agarwe nhaka, kazhinji mushure megore kana kupfuura, kanawo kuti mushure
mekunge guva remurume wake rarohwa. VaShona vaitendera kuti mukadzi
anoroorerwa mhuri, saka murume afa, paifanira kuita hurongwa hwekuti mukadzi
agarwe nhaka. Vanhu vemumba vanoti vanin'ina, kunyanya aiteedzana nemufi
ndiye aitarisirwa kuti agare maiguru nhaka. Kaive kashoma kuti mukoma agare
nhaka yemukadzi wemunin'ina , sezvo ainzi ndibaba. Muzukuru, mwana watete,

Peji 192
CHIKAMU 13
Zvinangwa zvechikamu
13
A. Nzwisiso: Zvitendero
Kujekesa zvitendero.
B. Pfupiso: Nyaya
Kunyora pfupiso yenyaya.
C. Rondedzero: Tsamba yebasa
Kunyora tsamba yebasa.
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo:
Mashandisirwo enyaudzosingwi
Kutsanangura mashandisirwo enyaudzosingwi.
E. Musambo: Ukama
Kutsanangura ukama.

A NZWISISO: Zvitendero

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo


“Kumba kwenyu munenge munotenda muchivanhu ?” akabvunza Larry ane
kakushamisika pameso pake. “Hongu baba vangu vatori n'anga”
ndakatonyatsopindura hana yangu iri panzvimbo.Kuzodaro mota yangu tsva
yakapotsa yabondereswa munhu hana yavhunduka. Mabhero emota akarira
kunge vanhu vari pamuchato chaipo. Ndakati nechemumoyo, “Hezvoka
makirisitu aya anongova nekafungidziro kekuti n'anga dzese varoyi. Kana anga
oda kundikutura nekunzwa kuti n'anga kuzoti paaizovaona vakapfeka machira
avo ebasa neni wacho kana kwaita mutambo handiti aitozopera mweya? Pave
paya ndakazomubvunza ndikati, “Ko wavhundukei pandataura kuti baba vangu
in'anga?.” Iye kuzonyepa kani hanzi, “Handina kuvhunduka izvozvo kungoti
mota yako handisati ndaijaira saka ndangorasikawo mbijana”. Heya ndanga ndoti
wavhunduka ndikati zvino ukatanga kutya vatezvara kuti in'anga kuzoti
ukazonzwa kuti neni wacho nditori svikiro guru rine mukurumbira haudikitiri
here?’’ Ndoona akafunga kuti kutamba. Ndakazoti zvangu, “Kuteedzera
chivanhu hazvirevi kuti handinamate Larry, tinotonamata asi manje musiyano
ndewekuti ini ndinotenda kuti kana ndichinamata ndinopira munamato wangu
Peji 200
Muenzaniso
Takudzwa akati piku nyama yaipisa.
Takudzwa akatora nyama yaiva pamoto.
Vanhu vakati kanha nazvo.
Vanhu vakashamisika nazvo.

Basa rokuita
a) Tsanangura mashandisirwo enyaudzosingwi mune zvimwe zviumbwa(6)
b) Umba zviito kubva munyaudzosingwi idzi.
paru tsve tonho kwarakwashuku
fambei zivha tambe
tande katanu do zete jiti (6)

c) Zvino chitsanangura kuti zviito zvinoumbwa sei kubva munyaudzosingwi


uchishandisa mienzaniso iri pamusoro.(8)

E MUSAMBO Ukama

Ukama isungano inowanikwa pakati pevanhu vangave veropa rimwe kana vasiri
veropa rimwe. . Kune zvakawanda zvinosunganidza ukama kana zvinobatanidza
vanhu kuti vave neukama. Ukama hunogona kuva hweropa, hwemutupo kana
hwekuroorerana kana hwekugarisana. Ukama hwakakosha mukurarama
kwaVaShona, nokuti ndiwo hunoumba mhuri, mhuri yozvara dzinza.

Vanhu mazuva ano vanoti ukama haugezwi nesipo setsvina, ichi ichokwadi,
vanhu vane ukama haugoni kubviswa. Kana ukama hwavapo hwatovapo
zvachose. Chero ukavenga hama yako zvakadii, chero mukataurirana kuti
hatisisiri hama zvese izvo hazvipedzi ukama hunongoramba huripo. Kune umwe
hukama hunogona kudamburwa, izvi tichanatsotsanangura kana tave kukurukura
mhando dzeukama idzi. Chinhu chikuru chakakosha kuziva kuti ukama hauperi
chero vanhu vakagarisana kure nakure.

Hama dzinotarisirwa kubatsirana panguva dzose,kushanyirana nekubata pamwe


pazvinhu zvose. Hunoita kuti vanhu vagone kudyidzana vachiziva kuti ihama

Peji 207
Basa rokuita
1. (a) Chii chinonzi ukama? (5)
(b) Zvii zvakakoshera ukama mukurarama kweVaShona? (15)
2. Tsanangura kuti ukama hunoumbwa sei muChiShona. (20)

Peji 211
CHIKAMU 14
Zvinangwa zvechikamu
14
A. Nzwisiso: Nhetembo: Pendeke mwana waamai
Kutsoropodza tsika yechipfambi.
B. Pfupiso: Nyaya
Kunyora pfupiso yenyaya.
C. Rondedzero: Tsumo
Kunyora rondedzero yetsumo.
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo awo:
Ndevo yenyaudzosingwi
Kutsanangura ndevo yenyaudzosingwi
E. Musambo: Dzokororo
Kunyora basa remusambo wakapiwa.

A NZWISISO: Nhetembo Pendeke mwana waamai

Peji 212
Danho rechitatu : Ndevobonga yenyaudzosingwi
Maumbirwo
+/-Muiti + Chiitwa
Baba vake ware mugomo nezuro
ware mugomo nezuro
Muiti indevo yechizita, inogona kuvapo kana kusavapo, asi chiitwa chinototi
chivepo. Chiitwa indevo yenyaudzosingwi.

Cherechedzo:Pakunyurura ndevobonga kwete kutora ndevo yechindori,


chiitogama nezviito kusara kweizvo zvinowanikwa mumupanda 15 zvakaita
sanakugara , kuchema nezvimwewo.

Basa rokuita
Verenga zvirevo zvinotevera ugopindura mibvunzo iri pazasi.
(i) Vana vose vakati zi-i pavakaona mudzidzisi achipinda.
(ii) Bere rakati humwi-i, mbudzi ndiye svaku dzichibuda.
(iii) Mbudzi yaive yakasungirirwa kuti nga nga nga pamuti netambo.
(iv) Mhembwe yakati kwaku ichibva yanzi hetu nemusungo.
(vi) Akati nenzira tande.
(vii) Gomana rakanzi ga nechibhakera pahuma ndiye nyondo pasi nemuromo.
(viii) Muroora akangoti gare gare pamusha pavamwene achibva azodzokera
kumba kwake.

(a)Nyurura ndevobonga dzenyaudzosingwi dziri muzvirevo izvi (10)


(b)Taridza nhengo huru dzakaumba ndevobonga dzacho.(10)

E MUSAMBO Dzokororo

Basa rokuita
Tsanangura musiyano wavapo pakugarwa kwenhaka pasichigare
nanhasi. Sokufunga kwako zvii zvaunza shanduko. (20)

Peji 219
CHIKAMU 15
Zvinangwa zvechikamu
15
A. Nwisiso: Nhamo haibvi pane imwe
Kupindura mibvunzo yenzwisiso.
B. Pfupiso: Nhetembo
Kunyora pfupiso yenhetembo
C. Rondedzero: Mhan'aro
Kunyora rondedzero yemhan'aro
D. Kuumbwa kwemutauro nemashandisirwo
awo: Zvirevo zvenyaudzosingwi
Kutsanangura zvirevo zvenyaudzosingwi.
E. Musambo: Dzokororo
Kunyora basa remusambo wakapiwa.

A NZWISISO: Nhamo haibvi pane imwe

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo inotevera.

Takabva tangonanga pagirazi raive nevana, asi zvandakaona mugirazi riye


zvakandipedza simba hama dzangu. Ndakaona ana mapatya vachinwa mukaka,
asi mukaka uyu vaiumwa pambudzi. Ndakamboda kuti nditize, asi ndakanzwa
moyo uchindirambira, ndipo pakauya mashoko amai vangu ekuti, “Tinashe
watove mubereki wehanzvadzi dzako idzi! Kunyangwe zviome sei usadzisiye.”

Ndakatanga kunzwa dzungu, asi chaindinetsa ndechekuti Diana nababa


vaingofamba vachitoswedera kugirazi riye. Ndakatanga kuzvibvunza ndega kuti
ava vaisaonawo here zvaiitika mugirazi raiva namapatya. Ndakatozoona kuti izvi
zvaive mumeso angu ndega. Ndakaona baba vangu vachisvikomira vakabata
girazi riye ndokuyeredza zvavo misodzi. Ndakanatsoona kuti hongu baba vangu
vakatadza, asi apa vakanga vabaiwa panyama nhete. Hanzvadzi yangu, Diana,
ndiye akatadza kuzvibatawo panguva iyoyo nokuti akaikwetsura mhere.

Peji 220
Rugare rwapasi.

Kunani angarambe,
Akanga asingambe,
Nahwo hwenjera musungwa,
Hwahwa musungadzose pfungwa,
Ahuti shapu?

Kubva muna Mutinhimira wedetembo na C.R. Muiswa

C RONDEDZERO: Mhan'aro

Basa rokuita
Tomboti uri mumwe wevadzidzi vakatumirwa nechikoro kumusangano
wekupa vechidiki ruzivo pamusoro pemabasa avanogona kuzoita
mushure mekupedza zvidzidzo zvavo. Nyora mhan'aro kumukuru
wechikoro uchitsanangura zvamakadzidza.

MAUMBIRWO EMUTAURO NEMASHANDISIRWO AWO:


D Chirevo chenyaudzosingwi

Maumbirwo
Ndevobongasimboti yenyaudzosingwi +/- Ndevobongatsigiri
ye(dze)nyaudzisingwi
Murume go pasi tasa
Murume go pasi
Ndevobongasimboti yenyaudzosingwi inototi ivepo, asi ndevobongatsigiri
yenyaudzosingwi inogona kuvapo kana kusavapo.

Basa rokuita
1) Nyaudzosingwi ndiwo musimboti munhurikidzwa dzenyaudzosingwi
Tsigira muono uyu zvizere nemienzaniso yakakodzera.(20)
2) Rondorodza nhurikidzwa dzenyaudzosingwi ? (20)

Peji 225
CHIKAMU 15

BVUNZO DZOKUPERA KWEGORE


16

Peji 226
EDULIGHT BOOKS
Throgmorton House
Cnr Samora Machel Ave / Julius Nyerere Ave
3rd Floor, Room 312
Harare

Tel:
0242 749195

Cell:
0773452208
0715263466
0772 669134
0715263467
0772588092

EDULIGHT
B O O K S

You might also like