You are on page 1of 12

TSUMO DZIRI MUCHISHONA

DZAKAUNGANIDZWA NAMATIZHA T
A

 Abereka otochena mwoyo


 Ane ganda ane nyama hazvienzani neane
 Achemedza mbudzana yake akura
howa
 Adziya moto wembavha
 Ane ganda ane nyama hazvienzani neasina
 Afa, afa nemuromo wake
 Ane marengenya haacharike moto
 Afa anaka
 Ane marengenya hadariki moto
 Afamba apota
 Ane mhuri kwayo ndeane ndume ane
 Afa nemaronda enyora haachemwi
mhurikadzi vaenzi
 Afira nyora haachemwi
 Ane mombe yake anoziva makumiro ayo
 Afirwa haaringwi kumeso
 Anokuti chengeta mwana wako, anoti
 Afirwa haatariswi kumeso
ugozotuma zvako
 Ageza haanokorerwi
 Anokuti rima ati udye
 Agumhina afamba hazvienzani naTigere
 Anonyumwa bere kurira ndouya akazora
 Aguta haaoneki
manda
 Aita chake ndihombarume
 Anonyumwa bere kurira ndeane manda
 Aita twake ndihombarume
 Aiva madziva ava mazambuko
 Anorwara anoonekwa nekutsvaga n'anga
 Aiva maguta ava matongo
 Anyumwa bere nderake
 Aive mazambuko ave madziva
 Anoti chengeta mwana wako anoti
 Akanga nyimo avangarara
ugozotuma zvako
 Akazvara sekera muchitende
 Apo moyo unoda gwanzi harisviki
 Akonwa haasiyi mudzimu warembera
 Apota nechuru aenda
padare
 Apotera atya
 Akumbira banga kuti azivikanwe kuti abaya
 Apunyaira haashayi misodzi
 Akupa damba regavi ndewako
 Aridza mhere atya
 Akupa dhamba ndewako
 Ashamba haanokorerwi
 Ashunya agwa
 Akuruma nzeve ndewako
 Ashunya arwa
 Akuti rima ati ugozodya
 Atandavara aguta apfunya ndowavata nayo
 Akweva sanzu akweva namashizha aro
 Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba
 Azvuva sanzu azvuva nemwana waro
magaro
 Ane benzi ndeane rake kudzana kwaro
 Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba
anopururudza
mhapa
 Ane benzi nderake kudzana unopururudza
 Ateya mariva murutsva haachatyi mhapa
 Ane benzi ndounaro kudzana anopururudza
kusviba
 Ane chake haareveteki
 Ateyera mariva murutsva haachatyi kusviba
 Ane chake ndihombarume
magaro
 Ane ganda ane nyama hazvienzane
 Atosvorwa haaringwi kumeso
nowakabata howa

 Atosvorwa haatariswi kumeso


 Atota haachatyi kufamba mudova

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Atswinya arwa  Chaitemura chava kuseva, chaiseva chava
 Ave mauya mauya kufa kwomukadzi kutemura
kwakanaka  Chaiti chururu chapwa, nhasi tsambarafuta
 Avengwa anhuhwa rava igo
 Avhiya chidembo chiveza achatyirepi  Chaitotsa chokanya, chaikanya chototsawo
 Avhiya chidembo chiveza haachatyi  Chakachenjedza ndechakatanga
 Avhiya dembo chiveza achatyirepi  Chakadapo here kutora zanda kuita nhekwe
 Avhiya nyemba chiveza achatyirepi  Chakafukudza dzimba matenga
 Avhuyira mbudzi kumusana kunzi vana
vakwane  Chakaenzanwa ibvudzi, upfumi hauna
 Aniwa haachatyi kufamba mudova kuenzanwa
 Chakafukudza dzimba matenga
B  Chakakodza bere mapfupa
 Chakakodza nguruve hachizivikanwi
 Baba muredzi mwana kuchema anodaidza  Chakakodza nguruve mapfupa
amai  Chakakodza nguruve mashamba
 Badza guru ipa murimi, kuripa simbe inovata  Chakanaka chakanaka imbwa haihukuriri
naro sadza
 Basa mangwanani  Chakanaka chakanaka mukaka haurungwi
 Benzi bvunza rakanaka munyu
 Benzi kunge riri rako kudzana kwaro  Chakangwadza ndechakatanga
unopururudza  Chakata iri pasi ndeya vanhu vose asi iri
 Benzi nderako kudzana unopururudza mumuti ndeye wagona kukwira
 Benzi raramba mbanda harirapiki  Chakata kutsvukira mumuti hunzi
 Bere zvarakatya mapapata aro mangani ndipotserwe.
 Bhuru rasarira kumashure rasarira shamhu  Chako ndechako, kuseva unosiya muto
 Chako ndechako, pfuma yenhaka inoparadza
C ukama
 Chako ndechawadya chesango mutoro
 Chada moyo hachikoni moyo, moyo wamambo
chiremba  Chakona chakona amai havaroodzwi
 Chada moyo hachikoni, moyo ndishe  Chakupa ronda chati nhunzi dzikudye
 Chadeuka chaenda mvura yeguchu  Chakura chinotamba chichiringa kwacho
haidyorerwi  Chandiwana nhasi, chichazokuwanawo
 Chafamba chasvava mangwana
 Chafamba kamwe hachiteyiwi  Chapadare chakakandwa parurimi
 Chaibva chaora ngachichidyiwa nokuti usiku rwavapfuuri chomumba chiri mumhepo
igore  Chapfakanyika chati chipenengurwe
 Chaibva chaora ngachipere usiku igore
 Chaibva ngachichidyiwa kusiya hachipedzi  Chapera chii hwedza ndinhasi usiku haurire
nzara shiri
 Chaikanya chototsa, chaitotsa chokanyawo  Chapinda kamwe hachiteerwi
 Chairambakuudzwa akaonekwa nembonje  Chapinda kamwe hachiteverwi
pahuma  Chara chimwe hachitswanyi inda
 Chaishe chinodyiwa neagara padare  Charamba charamba pfuma yaamai
 Chaita chikoo chapembedzera haikanirwi

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Charehwa mutupo chaera  Dai ndakaziva haabatsiri
 Charehwa paruzhinji ibembera  Dai ndakaziva haitungamirire
 Charova sei chando chadzinga ishe padare  Dai pasina nyimo makunguwo aizodyei
 Charova sei chando chakwidza hamba  Dai yaiva mbeu yaidyarwa kumacheto
mumuti kwomunda
 Charovedzera charovedzera bere rakatiza  Danda haripotsi rutsva kaviri
negwazo rembudzi  Dare harivengi mhunhu rinovenga mhosva
 Charovedzera charovedzera gudo rakakwira  Dare harizondi mhunhu rinozonda mhosva
mawere kwasviba  Dembo harivhiyiwi pane vazhinji
 Chashe chinodyiwa neagara padare  Dhimba kushaya besu usati in'ana
 Chasosodza chava chitiyo  Dindingwe rinoda richakweva rimwe kana
 Chati go chatema iro ro...
 Chati homu chareva  Dzafura churu chinwe dzava nzivani
 Chatiza gumbo musoro waona  Dzaive nhungo dzave mbariro
 Chatorwa nomucheche chatorwa nashe  Dzapinda musuwo ramambo dzawira
 Chauya chauya rufu harurambwi mumuzinda
 Chava chigondora chava chimombe, kutadza  Dzatsva nyemba kuuya dzarungwa
kutunga urema hwacho  Dzawira mutswanda hadzichanetsi
 Chawana batisisa mudzimu haupe kaviri kunongera
 Dzawira mutswanda hadzichanetsi kuworera
 Chawawana idya nehama mutorwa ane  Dzimba dzinotsva dzakavimbikana
hanganwa  Dzingidzi gonyera pamwe maruva enyika
 Chawira pasi mudzimu wembwa haperi
 Chawira pasi imbwa inototi mudzimu wayo  Dzinoenda nokudyana
makweva  Dzinofura dzivani
 Chaza masikati charamba ndima, chaza usiku  Dziva guru idivakamwe, rwechipiri unowana
charamba hope makarwe asvinura
 Chedaunha chine musoni  Dziva rine ngwenya ----
 Chedaunha chiri kumusoni
 Chegudza chiri kumuruki  Dzvinyu kudzambira zuva huona mwena
 Chegudza chiri kumukuru  Dzvinyu kuzambira zuva huona bako
 Chembere masikati usiku imvana
 Chembere mukadzi hazvienzani neasina E
 Chembere mukadzi hazvienzani nokurara
mugota  Enda kumupanda wenyoka kwete kuna
 Chembere ndeyembwa yomumwe ndibaba vapfumi
vevana
 Chembere ndeyembwa yomunhu inofa F
ichigurukuta
 Chembere ndeyeshumba yemombe  Fare fare tindike!-
inodyiwa nyama  Findikirai panotamba ndumure
 Chembere yorasika bere rorutsa imvi  Findikirai panotamba pwere
 Chembere yoshaika bere rorutsa imvi  Fungira mumoyo rwendo rwemba
 Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi
G
D

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Gakanje kunyangata zvaro, asi kuruma  Hakuna nyika isina rinda
harigoni  Hakuna chinonakira chimwe
 Garwe haridyi chebamba, charo chinoza  Hakuna imba isina gonzo
neronga  Hakuna mvura isina chura
 Gavi rakabva kumasvuuriro  Hama haipiwi munhu
 Gengezha mukmbe hazvienzani nokunwira
mudemhe  Hama haitengwi
 Godzi paakadya nhiyo haapakanganwi  Hama ihama hazvienzani nemutorwa
 Gomba harina mwana  Hama maoko
 Gombarume kudze soro kukudze dumbe  Hama ndishe
hunge ...  Hamba hairemerwi nemakwati ayo
 Gomo guru rakapera nekumwaukira  Hanga ikafa vana vanosara voparara
 Gona haribati pasina rimwe  Hanga inobatwa nemauruko mana
 Gondo harishayi, kuti rikashaya rapunga  Hapana angagone chisingagonekwi naGone
marara  Hapana chembwa, vatenzi vararira maputi
 Gondo kuengerera raona zumbu  Hapana chinonakira chimwe
 Gonzo hariiswi mudura rine nzungu  Hapana chisingawanisi
 Gonzo mhini gara mumhango chomudzimu  Hapana imba isina gonzo
chiku...  Hapana mhou inokumira mhuru isiyayo
 Gore haribvi pakabva rimwe  Hapana muchero usina masvisvinwa
 Hapana mukuyu unovinga shiri
 Gore harizi pakaza rimwe  Hapana mutunhu usina guva
 Gore musandu  Hapana nyoka inochenera moyo chisi chayo
 Gore nderino  Harahwa mbiri hadzibidzani rwizi
 Gore rinorima nyope mvura hainayi  Harahwa mbiri hadziyambudzani rwizi
 Gore rinorima simbe mvura hainayi  Hari haiviri isina mukuchidziri
 Gore nderino  Hari mbiri dzinovirirana hadzina mabikiro
 Gotsi rutsito  Heya baravara ndiwo magariro kutuka
 Gudo guru peta muswe vadiki vakutye mwene ...
 Gudo haripinzwi mudura  Hombarume haati shura nesango
 Gudo harivingirwi pachiro  Hombarume haityi mumwe
 Gudo harivingwi pachiro  Hope hadzina ndima
 Gudo kuipa kuipa zvaro, asi haridyi chakafa
choga I
 Gudo kutya zvaro asi haribati mwana
 Gunde repwa rinonaka, asi hariiswi mudura J
 Gunguwo kuseka zizi muromo uchinge demo
 Gunguwo rakapona nehwaku-mukwaku K
 Gunwe rimwe haritswanyi inda
 Guyu kutsvukira kunze mukati muna  Kabva muzai kava shiri
masvosve  Kachekacheka kanyama kamakonde
 Kakara kununa kudya kamwe
H  Kama wakaringa nzira chimombe
chokuronzerwa
 Hakuna mutunhu usina datya  Kambudzi kuzvarira pavanhu hunzi
 Hakuna mutunhu usina rinda nditandirwe imbwa

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Kamhuhomba kadiki kanoyeredza  Kudada kwevari mugomo kukumbira vari
 Kamoto kamberevere kanopisa matanda pasi ma...
mberi  Kudada kwavari mugomo kukumbira tsvairo
 Kamusha kari papa kunga usati wagara vari mu...
mukati mako
 Kana museve woda nyama unodauka pauta  Kudada kwavari pasi kukumbira
 Kana shumba ikarura inodya tsangadzi varimugomo mvura
 Kana shumba ikashaya nyama inodya uswa  Kudya chomungozva hubata mwana
 Kana wodya imbwa, idya hono  Kudya kakara kanyama kanopakatira pazino
 Kandiro enda kandiro dzoka  Kudya nyemba navauya dzinowana
 Kandiro kanoenda kunobva kamwe muzvimbiri wadzo
 Kandiro kanopfumba kunobva kamwe  Kudya nyemba navauya dzouya dzozvimbira
 Kangoma kanoririsa ndiko kanotsemuka nherera
 Kanyembana kumera munyemba hunzi  Kudya tadya zvedu asi hurindo
ndava nyembawo ndohwedenga
 Kanyenye kotsakatika gondo roonekwa  Kudzinga shiri nomuseve mumwe chete
rakaruma nyama  Kudzinga tsuro netsvimbo mbiri, imwe
 Kare haagari ari kare ikapotsa imwe yorova
 Kari pako ikonje rinofunda nechrimo  Kudzipwa neganda nyama iripo
 Kaseka urema hwokuti kamba makwati iko  Kudzivirira kwakakunda kurwa
kainawo  Kufa hakurambwi
 Kufa hakuurayi
 Kashiri kakachenjera kanovaka dendere  Kufa izuva rimwe kuora igore
neminhenga ye...  Kufa kwaro gonye matanda anosekerera
 Kashiri kashaya besu hakanzi inyama  Kufa kwegono kubuda ura
 Kashiri kasingapambari hakanuni  Kufa kwehanga mazai anoparara
 Katsindi kuchema huona mhango  Kufa kwehosi inosiya imwe
 Katekete chirevo  Kufa kwemurume kubuda hura
 Kiti negonzo hazviiswi panzvumbo imwe ...  Kufanana vhudzi hahuzi ihwo hukama
 Komoringa deyateya ndikomairidigikira  Kugara hunzwana nevamwe
 Kubaya tanga hama vatorwa vakutye  Kugara kunzwanana
 Kubereka misodzi yawanda  Kugara mwina kutevedza unoguma
 Kubikira mweni kumudzinga  Kugadza nhaka huona dzevamwe
 Kubira rwizi rwakazara kuziva kusambira
 Kubudisa munhu murutsva, uchimukanda  Kugara nhaka huona dzevamwe
mumvura ...  Kugara nhaka kuona pane dzevamwe
 Kubvuma rwendo kweane gumbo  Kugarika tange nhamo, rugare rugotevera
 Kubvuma rwendo kwomwana muduku rwake  Kugocha kunoda kwaamai, kwomwana
rwuri ... kunodzima ...
 Kuchengeta imbwa yomweni kuda mwene  Kugona mbavha huirongera
wayo  Kuita mandiri asiri pamunhu
 Kuchenjedza vanyamukuta kuzvara uchada  Kuita mapfumo ita maviri, kupotsa kwe...
 Kuchenjera kuruka nhava  Kukanya mukaka hurangana
 Kuchera mbeva hukomberana  Kukava dafi kuriyambutsa
 Kuchingamidza n'anga neinobata amai  Kukava datya kuriyambutsa
 Kuda chinhu kureva, kunyarara hauchiwani

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Kukokwa kwasamusha kukokwa kwavagere  Mandikurumidzira akazvara mandinonokera
naye  Manenji kuona ingwe ichitamba nembudzi
 Kukonwa kwedare kukonwa kwamambo
 Kukurukura hunge wapotswa  Mangachena inoparira parere nhema
 Kukwira gomo hupoterera  Manhanga anowira kusina mhodzi
 Kumuzinda hakuna woko  Manhanga anowira kusina hari
 Kune chirema hakuna rufu  Manomano echakata kutsvukira mumuti kuti
 Kune wako hakuna kurefu ndipo...
 Kuneta kwomukuyi sadza rinodyiwa  Manomano emuroyi kunyepera kutya
navagere dzvinyu aka...
 Kungotya nyanga dzezizi nyamba manhenga  Mapango makuru haavake ----
 Kungwara kukosha ngoyi  Maoko ihama
 Kunokanganwa mudyi wenyemba muworeri  Maoko maranda
wama...  Mapofu maviri haatungamirane
 Kunyengerwa hakuna wakura, ndakanzi  Mapudzi anowira kusina hari
shwi...  Maramba kukombwa maramba hweni
 Maronda asiri ako anonhuwa
L  Masevera usavi hwenhamo
 Mashoko maturirwa haasungi musha
M  Mashura anotanga mberi
 Matakadya kare haaembedzi mwana
 Machongwe maviri haariri pamutanda  Matakadya kare haanyaradzi mwana
mumwe  Matakadya kare haanyengedzi mwana
 Made echakata kutsvukira mumuti kuti  Matanda makuru mazunguniswa, pamwe
ndiposherwe unosiya nerisina ...
 Made etsvimborume okudya yakawaridza  Matanda masairirwa, unosenga nerakaora
 Mafutura avakatangapo kare kususukudza  Matanda masairirwa, unosenga nerine
svingo ... muchenje
 Mago anoruma mutokonyi  Matanda masairirwa, unosiya nerakaora
 Mai musiva usingasehwi mumuto  Matanda masairirwa, unosiya nerine
 Mai vevana kufa pwere dzinorezverwa nani muchenje
 Maisiri haatyi mashura esango
 Majichimbo chimbo anofara musi wafa  Matanda mayererwa unorekera nevokoto
kondo ziso  Matende mashava anoshaisha doro
 Makudo anosekana mahobi  Matende mashava anovazha doro
 Makudo anosekana makuma  Matende mashava huvazha doro
 Makudo makuru anochera pedyo nechiro  Matsotsi haagerani
 Makunguo zvaakatya, akafa mangani  Matukano akabva munyaya
 Makungurunye kuringana kwavanhu  Matukano anobva munyaya
vakaramba  Matukirwo ababa kunema mwana
 Makunun'unu maodzamwoyo  Mazano marairanwa
 Manakira kure mvura yemubvumbi  Mazvokuda kufa nemaronda enyora
 Manatsa mukanwa, harahwa kurota  Mazvokuda kurumwa nechokuchera
ichiyamwa  Mazvokuda kurumwa nechokudongorera
 Manatsa mukanwa ndonda kurota ichiyamwa  Mazvokuda mavanga enyora
 Manatsirapwere imhanje  Mbavha imbatwa, mbavha rustoka imbatwa

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Mbeva zhinji hadzina marise  N'anga haizvirapi
 Mbeva zhinji hadzina mashe  N'ai kwadzo ndedzomucheche dzomukuru...
 Mberi kwenzara maguta  Natsa kwawabva kwaunoenda husiku
 Mbira yakashaya muswe nekutumira  Ndakaziva haitungamiri
 Mbiri matende inoputstika  Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje
 Mbizi yakashaya nyanga nekutumira pahuma
 Mbudzi kudya mufenje hufananyina  Ndezvehuru, doko dzinonyika miswe
 Mbudzi kukwira mufuta kufana rudzi  Ndezvowabaya kuti chiropa hachiseveswi
 Mbudzi kuzvarira pavanhu hunzi sadza
nditakurirwe mwana  Ndima yabatwa yasundika
 Mbudzi kuzvarira pavanhu hunzi nditandirwe  Ndima yasakurwa haidzoki
imbwa  Ndingagorega sei kununa ini ndiri parumano
 Mbudzi yafura mumera yatorunza  Ndiniwo here ndakati jedye ngariteme
 Mbwende haina vanga muswe
 Ndisvike-ndisvike inoradza vazhinji panzira
 Meso akamboonana haashayani  Ndiyo hayo nyama yousina imbwa
 Meso akamboonana ukama  Ndoita nzwira pamuviri tsvimbo yarova dapi
 Meso haana muganhu  Ndomene haichemedzi
 Mhamba haibiwi  Ndongwe inyama hazvienzani mumhodzi
 Mhaka haiori  Ndongwe inyama hazvienzani nenhikiti
 Mhanza chironda, inotevera akura  Ndumudzani hadzidyi mundiro imwe chete
 Mhanza mambure  Ngewacho kufuka jira idzva rinotsva
 Mharadzano dzakabva munzira  Ngezvehurura doko dzinonyika miswe
 Mhembwe rudzi inozvara mwana ane  Ngezvemo zvimbutu zvamaonde
kazhumu  Ngoma muna wayo
 Mhizha mbiri hadziwirirane  Ngoma muridzi wayo
 Mhondoro kurura inotanga wayo  Ngoma ndedzemiti kana dzikatsemuka ti...
 Mhosva haiovi
 Mhosva hairovi  Ngoma tamba vamwe vachatamba
 Mhosva haizvitongi  Ngozi nehama hazvisiyani
 Mhosva inorondwa hapana mhosva yakaita  Ngozi yerombe igandanzara
honye  Ngozi yerombe ijekakwose
 Mhosva mbiri hadzina matongero  Ngwena haidyi chebamba chayo chinoza
 Mhosva mwene wayo neronga
 Mhosva ndeyomumwe vazhinji vapupuri  Nhamo hadziiti mbiri
 Mhosva ndeyomwemwe vazhinji zvapupu  Nhamo haioni pakagara imwe
 Mhosva yomumwe mangwana ndeyako  Nhamo haityi imwe
 Mhuno hainwi mvura muromo usina kunwa  Nhamo haizivi pakagara imwe
 Miromo yavakuru haipotsi  Nhamo ine dzimba dzayo
 Miromo yavakuru inoreva zviera  Nhamo ndeyavanhu suka maoko
 Miromo yavanhu haipotsi  Nhambetambe inoregwa ichanaka
 Miromo yavanhu haiwiri pasi  Nhamo inhamo zvayo amai havaroodzwi
 Nhamo urimbo inonamira
N  Nhamo yemumwe haiburitsirwi musodzi
 Nhamo Nhamo yemumwe hairadzisi musoro
 N'anga hadzifarirani pasi

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Nhamo yemumwe hairambirwi sadza  Nzara inodyisa mutupo
 Ngozi yerombe igandanzara  Nzara ishuramweni
 Nhanga rokurunzira ndimandiparika ngozi  Nzira ine minzwa ndiyo ine ushe
 Nhasi chineni, mangwana chinewewo  Nzira masanga
 Nhasi haasiri mangwana  Nzombe huru yakabva mukurerwa
 Nhava inorema yasvika  Nzou haikarari in makaka
 Nhava yebenzi haitani kusakara  Nzou hairemerwi nenyanga dzayo
 Nherera inoguta musi wafa mai  Nzou mutupo pana vanhu paseri ava
 Nherera inozvichengeta pachayo machikichori
 Nherera inozvichengeta yoga  Nzou yakaramba kuudzwa ikabuditsa nyanga
nemumukanwa
 Nherera panorayirwa vana vavapenyu iwe  Nzou yakaramba kuudzwa ikabuditsa nyanga
inzwawo nemumuromo
 Nherera panoudzwa vana vavapenyu iwe  Onde kutsvukira kunze mukati muna
inzwawo masvosve
 Nhiyo kuenda kudzani huona mai
 Nhonhongora kudya chayo kukumbirirei O
uchi ....
 Nhowo haireri munhu P
 Nhumbu ibakwa rehuni inochengeta nyoka
ne...  Pabva bango pasekesa
 Nhumbu inorema yasvika  Pabva gondo pagare zizi vende
 Nhumbu iziso risingatauri zvaraona  Pabva zino panosara vende
 Nhumbu mukadzi mukuru hairevi chayadya  Pabva zino rave vende
 Nhumbu mutseye haitauri chayadya  Pachapwa madziva miramba tichanyurura
 Nhunzi haimhari pasina chironda  Padoko padoko hapadzokeri shure
 Nyakuravira ndiye anoziva kuti nyama  Padoko padoko kudya kwamadora
yaibva  Paduku paduku hapadzokeri shure
 Nyamunatsi ndiye nyamutsigwa nebonda  Paduku paduku kudya kwemadora
 Nyamusi handi mangwana  Pagara murimi pagara mupopoti
 Nyika mukanza, haina mukwambo  Pakukutu hapaurayi
 Nyika vanhu  Pamudzimai usiri wako usasungiria nhewe
 Nyoka huru haizvirumi chena
 Nyoka inochenera chayo samaserwe  Pane danga pane mombe pane hundi pagara
 Nyoka inoruma aidenhai hurudza
 Nyoka yapinda mumwena hainyombwi  Panoda moyo gwanzi haisviki
 Nyoka yemvana yakazvara mbavha nevaroyi  Panodya ishe varanda vanodyawo
 Nyuchi dzinoruma ndedzine uchi  Panomera muswe panonyeredza
 Nzambiringa kumera munyemba hanzi  Panorairwa mwana washe muranda terera
ndava nyemba  Panorwa hama nehama mutorwa bvira kure
 Panotamba machinda nherera simuka
 Nzanga inokura yerema yomuchenjeri  Panotamba machinda nherera sinyungwe
inoparara  Panotorerwa chirume demo panosara
 Nzara haina----- mutsunetsune
 Nzara haisukwi setsvina  Papfumba mwezha pava nomwena
 Nzara haitori chikukutu  Papfumba pava nomwena

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Pashoma pashoma kudya kwendongwe  Rufu haruna nzira
 Pashure penzara panotevera maguta  Rufu haruwadzirwi bonde
 Rufu haruwadzirwi nhoo
 Pasi mupindu panopinduka  Rugare rwedafi runouya nemvura kunaya
 Pasina nyimo makunguo aizodyei?  Rugare rwenda kuruma akaitakura
 Patemwa tsoka rava bombo  Rukodzi haashayi kana ashaya anokuwa ...
 Patemwa tsoka rava vende  Rukova rwizi kuyambuka unokwinya nguo
 Pfavira ngoma usiku hurefu  Rume rimwe harikombi churu
 Pfimbi huru iri mumwoyo  Rume risinganyepi hariroori
 Pfini inenge yenda inoruma akaitakura  Rutsoka ndimarase
 Pfini yenyoka kungoruma icho isingadyi  Ruzambu kugara munyemba rwoti ndava
 Pfuma yemukwasha idya uchichengeta ... nyembawo
 Pfumo rimwe harina ukomba  Rwaivhi kufamba zvishoma asi shungu ...
 Potsi haarwirwi anorwirwa ndiPiri  Rwaivhi kupinduka nhando irwo
rwusingagoni kuruma
Q  Rwavhi kufamba zvishoma asi shungu ...
 Rwendo rewimbwa rwuri mumoyo
R  Rwizi runozadzwa nemadiriro
 Rwizi ruzere haruedzwi negumbo
 Rabva ngedera denhe kupinda gaya
 Raita gonzo ragara pamukangesi  Rwizi rukuru kupwa mombe dzinonwei
 Rambakuudzwa akazoonekwa nembonje ...  Rwizi runokura nezvikova
 Rega kusanganisa mombe dzako nedzashe  Rwizi ruzere haruedzwi negumbo
 Rega kutanda tsuro wakabata munyu  Rwizi rwunokura nezvikova
 Rega kuyera nyoka negavi iyo iripo  Rwomuranda rwakoneswa norwashe rwa...
 Regai dzive shiri, mazai haana muto
 Regai kufananidza nguo nedzaTarubva S
 Regai ndiseke zvangu vanhu vakuhire
 Regai zvipore akabva mukutsva  Sadza huritamburira hapana angaridya ...
 Rera kamunhu mangwana kanokurerawo  Sadza naku ibvutidzanwa
 Reva ishe wakakwira pachuru  Sakunaka ndiye sakubaiwa
 Rina manyanga hariputirwe mumushunje  Sakunatsa ndiye sakubaiwa
 Rinonyenga rinohwarara rozosimudza  Samoyochena ndiye nyamutsvirwa nemba
musoro rawana  Sango kuipa zvaro asi haridyi munhu
 Rombe kunyangodzana haripururudzirwi  Sango rinopa waneta
 Rombe ngerichaenda rodzoka ndimambo  Seka benzi waguma ura
 Seka urema wabuda mvi
 Rombe pakata hana mukaka ndowavaridzi  Seka urema wafa
 Rombe rinosekwa richaenda kana ro...  Shambakodzi/tsaiya yakarindwa haiviri
 Rudo harutumi anoramba  Shiri huru haibatwi nehundi
 Rudo ibofu  Shiri inemuririro wayo hairegi
 Rudo moto unotokuchidzirwa  Shiri ipinda haipedzi mhunga
 Rudo ndimawarire mavanza urema  Shiri yemusaririra ndiyo yemhina
 Rufu haruna ishe  Shumba huru yakabva mukurerwa
 Rufu haruna ndanatsa  Shumba ikarura inodya tsangadzi
 Rufu haruna n'anga  Shungu dzembwa dziri mumwoyo, kuhu...

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Shura rinotanga mberi  Ukaravidza chembere nyama inofira
 Simba mukaka rinosinira musango
 Simba mate hariperi  Ukuru hurema hahuvanzwi
 Simba rehove riri mumvura  Umambo hutambidzwana
 Umba hwehosi husina marevere
T  Umhandara idambakamwe
 Unaki hwemukadzi huri pamwana
 Takabva neko, kumhunga hakuna ipwa  Ungokutukira badza ungokupa upfumi
 Takazvida haachemedzi  Upfumi hahuna kuringanwa chakaringanwa
 Tambe tambe vanoda varivo ivhudzi
 Taramuka panotamba dera  Upfumi idova, hautani kupera
 Tenda muchero wadya zvinogadza mwoyo  Ura mapako hunozvara mbavha nomuroyi
 Tenda wakohwa zvemunda wezunde  Urombo hune nherera kudya ikarutsa
 Tendai muchero ugowisa  Urombo hwayo mhembwe kufa iri
 Tichaona kunowira tsvimbo nedohwe pamusungo
 Totenda dzanwa mombe, dzaswera nebenzi  Urombo hwamatende kunayiwa nemvura ...
 Totenda maruva tadya chakata  Urombo hwenherera kupakwa ichirutsa
 Totenda nyemba tanwira mvura  Urombo uroyi hauudzwi munhu
 Totenda yabikwa imba yepwere  Usabata matope pasina mvura
 Totenda yavira tsambakodzi yedemhe  Usachenjedza n'anga kurapwa uchada
 Tsapata rukukwe hazvienzani nokurara pasi  Usadzinganisa tsuro nemunyu muchanza
 Tsenzi inogara yadyiwa
 Tsimba kaviri kurwa nomukadzi wousipo  Usaguta ukasunda dura -----
 Tsuro haipinyuki rutsva kaviri  Usajaidza makudo neanokamhina
 Tsuro kotsa muromo  Usakangira nyimo vane meno avo havo
 Tsvaga zano iwe une rakowo  Usakusha mbeu mvura yaenda
 Tsvaru akadana tivu  Usaona imbwa kuchenama ukati
 Tsvimborume kutandara nemvana moyo ... inokusekerera
 Tswanda inorema yasvika  Usapambe chomupfumi nokureba
 Tukara kununa hudya  Usapedzera tsvimbo kuna vanamakuwe ...
 Twemudenhe tune ushorwi  Usapinza munwe mumwena unobuda wareba
 Usarume muromo wenzombe inopura zviyo
U  Usaravidza chembere muto wegwaya,
mangwana inofira ...
 Ubatebate hunoparira  Usarume muromo wenzombe inopura zviyo
 Ubatebate hunourayisa  Usaruka nhava sora ratsva
 Ugaro mwena kutevedza hunoguma  Usashore nyemba nedzinozvimbira
 Ukadzinga tsuro mbiri imwe inopunyuka  Usatanda hwiza idzo tsuro dzichauya
 Usatanga kumedza kutsenga uchada
 Ukama hahusukwi nemvura hukabva  Usatsindire mwena unobuda ishwa
 Ukama hunonhuwa  Usatuka nyamukuta kuzvara uchakuda
 Ukama igasva hunozadziswa nokudya  Usatsvaga nhava muuswa iro sora ratsva
 Ukama urimbo kudambura hahubvi  Usavaka danga pasina mombe
 Ukangosekerera hwiza mangwana dzino...  Usaverenga mbeva nemidune
 Ukanzwa bofu richiti rinorova, pane  Ushe hauzvitongi
parakazendama  Ushe hukokwa, hunotokokwa kuna vamwe

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Ushe hunonyanga dera  Yatsika dope yanwa
 Ushe hunonyangira rema  Yatsika musheche yanwa
 Ushe husiyirwana  Yave nhamburiko nyama yomusoro
hairumikwi
 Ushe idova hunopararara  Yeuka hama mutorwa ane hanganwa
 Ushe imhute hunoprara zuva rabuda 
 Ushe imhute inoparara zuva rabuda
 Ushe madzoro hunoravanwa Z
 Ushe muzhanje hunokuva
 Ushe vuranda  Zano hunge une rakowo
 Usiku humwe hauodzi nyemba  Zano marayiranwa
 Usiku igore zuva igore  Zano marairanwa
 Uswa hwenyati ndohuri mudumbu huri ...  Zano moto rinogokwa kuna vamwe
 Utsva hworurimi hahuna marapiro  Zano mwene waro
 Utsi hwenyama hautosvori  Zano ndega akasiya jira mumasese
 Uzivi hwenzira huri mugumbo  Zano ndega akapisira nhere mugukwa
 Zano ndoga akapisa jira
V  Zano panga uine rako
 Zano vaviri
 Vadani ndivo vakani  Zevezeve chirevo
 Vagere pachavo vangonyinda  Zhara inodyisa mutupo
 Vakachenjera havasvairani mbeva  Zidutururu ndiro rinouraya nzou
 Vakafa vakazorora  Ziitakamwe gava kudambura musungo
 Vakafumira mangwanani hwiza  Ziitakamwe gava radambura musungo
dzichakabatwa ne...  Ziitakamwe mimba yousikana
 Vana vengwena havakuriri mudziva rimwe  Zimuonde ziguru kupunzika pwere
chete dzinovanda pai
 Vari kuno vanoshura, vanoviga nherera
mhenyu va...  Zimutsa bope kudyidzana nembwa
 Vari pachavo chikurikuri  Zimutsa nharo kudyidzana nembwa
 Vari pachavo vanokwenyana  Zingizi gonyera pamwe maruva enyika
 Vataiturira matohwe nhasi ndivo votiseka haaperi
maparapadzwa  Zino irema rinosekerera newarisingade
 Varume varume kutsva ndebvu  Ziriwo rechembere ziramba-waravira
vanodzimurana  Ziso rimwe harina ukomba
 Ziso rinokunda akabvisa mombe
W  Ziva kwawakabva nokuti mudzimu weshiri
uri mudendere
X  Ziva kwawakabva kwaunoenda husiku
 Ziva nemoyo kusambira kweimbwa
Y  Zizi kurungwa munyu roti, "Ndava hukuwo"
 Zizi kuswera muhuku kunzi ndave hukuwo
 Yadeuka yadeuka mvura yemuguchu  Zongororo kugonya haro asi shungu rinadzo
haiorerwi  Zundu kugara mumombe hanzi ndave
 Yadya muunga nzou kupinda mushenje mombewo
 Yafamba kamwe haiteiwi

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017


 Zuva igore rinodoka rava namarevo mavi
namavuya
 Zuva rimwe hariodzi nyama
 Zuva rimwe haripedzi dura
 Zuva rimwe haripedzi nyaya
 Zuva rimwe hariradzi munda
 Zvine manenji dede kuwa mumuti

 Zvaita sei kuti chembere yorasika, bere


rorutsa imvi
 Zvikoni zvikoni, mimba haibvi negosoro
 Zvine manenji kuti gudo ripunzike mumuti
 Zvinova ngegore mukonde kufa dziso
 Zvinhu zviedzwa chembere yekwa Chivi
yakabika mabwe ikasvuta muto
 Zvinokona zvine hata, chembere ichikoniwa
musoro wenzou
 Zvinonyadza mutauri kuti mbudzi yaba
nyama iyo imbwa iripo
 Zvinorema zvinoda makono
 Zvinozivikanwa nevhu kuti mwana wembeva
anorwara
 Zviri kumvana kubara mwana asina baba
 Zviri kumvana kuzvara mwana asina baba
 Zviri kumwene wejira kufuka kana kuwarira
 Zviri musango zvinosekana, pfunye ikaona
hoto inoseka
 Zviri pavanhu chitunha hachifambi choga
 Zviri pavanhu matengu haafambi oga
 Zviri pavanhu zvitanda hazvifambi zvega
 Zviururwi zvinofara kana kondo afa ziso
 Zviuya hazvidondani
 Zviuya hazviwanani

 Zviwadzani ndizvo zvikondorani


 Zvoti mwana otsva kudumbu, amai votsva
kumusana

© COPYRIGHT MATIZHA T 2017

You might also like