You are on page 1of 4

CALA YEKUTANGA

BANDIKO REBASA : Bandiko A neB

CHIDZIDZO : Shona Language

DANHO : Fomu 6

MHANDO : Tsvakurudzo neyedzesero

MUSORO : Tsika nemagariro peji 13

MUSORONYANA : Kutanda botso peji 13

MUSORO weCALA : Ratidziro yematauriro, mapfekero


nemashandisirwo emuviri pakutanda botso

UNYANZVI/ UTESVA

• Kugona kutsvakurudza

• Kugona kuratidza mapfekero

• Kugona kuyedzesera

HWARO

Pasichigare vanhu vakuru vaipiwa remekedzo yavo kunyanya vabereki. Kurova kana
kutuka mubereki kwaive nemuripo wekutanda botso. Mazuva ano vana varasa hunhu
vave kuova uye kutuka vabereki izvo zvaunza mvongamupopoto nemapishapisha
mudzimba nemudzimhuri. Nanhasi kuchiri nedzimwe nzvimbo dzichiri kushandisa
botso senzira yemwana yekuripa kukanganisira mubereki wake.

CALA YACHO/ BASA KUMWANA

Basa iri riri muzvikamu zviviri zvinoti (a) ne (b)

Unotarisiswa kuita zvikamu zvose

Chikamu A....Tsvakurudzo

1. Chii chinonzi 'kutanda botso'? [1]

2. Ita tsvakurudzo wodonongodza kuti sei vana vasisina matyira zvinovapa


kusaremedza vabereki [6]

3. Tsvaga ,wojekesa matambudziko anounzwa nekusaremekedza vabereki [5]

4. Tsvakurudza wodzumbunura zvingaitwe kuzopedza matambudziko aya [3]

5. Vana vanotadzira vabereki nhasi vachiri kuripa mhosva nekutanda botso here?
Jekesa uchipa zvawawana mutsvakiridzo [5]

6. Kubva mutsvakiridzo ipa nzira dzingayamure vana nhasi kuti vadzokere pahunhu
hwekuremedza vabereki vavo sezvazvaimbova pasichigare [6]

7. Uchishandisa zviwanikwa mutsvakiridzo, ndeipi chenjedzo yaungape kuhurumende


ingabatsiridze kuti hunhu hwevana hwayerera hudzoke patarisiro chaiyo yetsika
dzeVaShona [4]

Chikamu......B

1. Nyora chinyorwa chingave detembo kana rwiyo kana nhaurwa uchishandisa ruzivo
rwawawana kubva mutsvakiridzo wobudisa pachena zvikonzero, matambudziko uye
zvingaitwe kuderedza dambudziko rekusaremekedza vabereki [15]

Muchikamu chino, unofanirwazve kugona kuyedzesera zvinoitwa nemunhu ari


kutanda botso izvo zvine mukana wekukupa zvibodzwa zvinosvika pazvishanu. Zvino
wochitsvaga zvinhu zvinoshandiswa nemutandi webotso zvose zvakakosha kuvapo
kuti zvibodzwa izvi zviwanike.

NZIRA YETSVAKIRIDZO

√Shandisa zvombo zvetsvakiridzo zvinosanganisira

• maIndavhiyu kuvana ,vabereki ,vemutemo, vanasorojena kana mapazi ehurumende


anoona nzvemagariro evanhu munharaunda yako.

• Unogona kushandisa mibvunzo yakanyorwa pabepa ichipa mukana kumubvunzwi


wekunyorerapo achipindura zvawakabvunza (questionnaire)

WARIDZO YEZVAWAKAWANA

√ Unokwanisa kushandisazve zvimwe zvezvinotevera:

- pie chart
- tafura (table)

- girafu (graph)

HUMHIZHA HUCHATARISIRWA KUMUDZIDZI.

Kirasi: Fomu 6 Shona Language

MUSORO: Musambo, kutanda botso.

Nzira
dzemakwe
Wabaya Wagonesa Wagona Waedza Ndizvowo
nyero

Kuunganid Kuunganidza Kuunganidza Kuunganidza Kuunganidz Kuunganidza


za ruzivo. ruzivo ruzivo ruzivo a ruzivo ruzivo
rwezvinhu rwezvinhu rwezvinhu rwezvinhu rwechinhu
zvishanu zvina. zvitatu. zviri. chimwe chete.

Kunyora Kuusimudza Kuusimudza Kusimudza Kusimudza Kusimudza


nhaurwa pfungwa pfungwa pfungwa pfungwa pfungwa imwe
shanu otadza nhatu mbiri chete wotadza
odzitsanangur kunatsodzitsa wotadza wotadza kutsanangura
a zvakazara nangura kunatsodzitsa kutsanangur zvakazara.
mumashizha zvakanaka. nangura. a zvakazara.
mashoma

Zvipfeko Kuunza Kupotsa Kupotsa Kupotsa Kupotsa


nezvombo. zvinhu nechinhu nezvinhu nezvinhu nezvinhu zvina
zvishanu chimwe chete zviviri pane zvitatu pane pane
zvinoenderan pane zvinotarisirwa zvinotarisir zvinotarisirwa
a nechiitiko zvinotarisirwa pakutanda wa pakutanda
chekutanda pakutanda botso. pakutanda botso.
botso. botso. botso.

Chinangw Kuburitsa Kusiirira Kusiirira Kusiirira Kusiirira


a hunhu, tsika chinhu zvinhu zviviri zvinhu zvinhu zvina
chemutam nemagariro chimwe chete pane zvitatu pane pane
Nzira
dzemakwe
Wabaya Wagonesa Wagona Waedza Ndizvowo
nyero

bo. zvechiShona pane zvinotarisirwa zvinotarisir zvinotarisirwa


zvinoratidzwa zvinotarisirwa pakutanda wa pakutanda
nekutanda nechiitiko botso. pakutanda botso .
botso. chekutanda botso.
botso.

Hurongwa Kusava Kusava Kukwanisa Hapana Pane


hwemutam nehumbimbin nehumbimbin kuburitsa kurongeka humbimbindog
bo doga doga pakati hurongwa pakuedzeser a pakati
nemushan pakuedzesera pevatambi. hwemutambo, a pevatambi, uye
dirapamwe mutambo. Kukanganwa asi pane hwemutamb kuvarairwa
. Kugona chinhu zvimwe o, uye paine kwakanyanya
kutevedza chimwe chete zvinenge kukakavadz pachinangwa
hurongwa pane zvasiirirwa. ana pamwe chekutanda
hwematandir zvinotarisirwa nekutaura botso.
wo ebotso. pakutanda mutauro
botso. usiwo.

You might also like