You are on page 1of 40

MAZITA

Chii chinonzi zita?


Zita izwi rinoshandiswa kusheedza/kudaidza kana kudoma chinhu kana munhu.
Maumbirwo emazita
Mazita anoumbwa nechivakashure chezita nedzitsi rezita:
Sokuti : Chivakashure chezita + Dzitsi rezita
ka- -bhegi
chi- -koro
mu- -komana
Mazita akawnda uye anowanikwa ari muzvikwata zvakasiyana.
Zvikonzero zvekuisa mazita muzvikwata. (zvikwata ndiyo mipanda yemazita.)
a) Zvivakashure zvakafanana.
Mazita ane zvivakashure zvakafanana anowanzopinda muchikwata chimwe chete sokuit:
chi- + -bage
chi- + -ngwa
chi- + -toro
b) Sungawirirano yakafanana
Mazita ane sungawirirano yakafanana anopinda mumupanda mumwe chete sokuti:
iko kambudzi
iko kabhegi
iko kapenzi
c) Zvinoreva mazita zvakafanana
Mazita anoreva zvakafanana anopinda mumupanda umwe chete sokuti:
Mazita evanhu
mukomana
musikana
murapi
d) Sungano youshoma nouwandu kubva pamupanda 1-10
Mazita ari muushoma mumupanda umwe chete anozovawo muchikwata chimwe zvakare kana
ave muuzhinji sokuti:
①mukadzi ③ mutsvairo
2 vakadzi 4 mitsvairo

⑤banga ⑦ chikoro
6 mapanga 8 zvikoro

⑨n’ombe ⑪rukukwe
10 n’ombe 10 hukwe

⑫kaharahwa ⑫tusikana
13 tuharawa 13 tusikana

⑲svimbwa 21 zirume
13 tumbwa 6 mazirume
e) Maumbirwo akafanana
Mazita akaumbwa zvakafanana anopinda muchikwata chimwe sokuti:
Chivakashure + dzitsi
va- + -sikana
va- + -kadzi
Chivakashure Mudzi wechiito Nzvovera
ku- -mhany- -a
ku- -vereng- -a
ku- -p- -a
Mipanda yemazita
Mp Chiv Dzitsi Zita
1 mu- -rume murume
mw- -ana mwana
1a Ø- -Rudo Rudo
Ø- -baba baba
Ø- -tete tete
2 va- -kadzi vakadzi
v- -ana vana
2a Va- -Soko VaSoko
va- -sekuru vasekuru
2b a- -mbuya ambuya
a- -mai amai
3 mu- -ti muti
mw- -edzi mwedzi
4 mi- -sawu misawu
5 (ri-) -kudo gudo
6 ma- -tanda matanda
7 chi- -koro chikoro
ch- -oto choto
8 zvi- -koro zvikoro
zv- -ana zvana
9 /N-/ -n’ombe n’ombe
Ø- -shiri shiri
(i-) -mba imba
10 /N-/ -mbudzi mbudzi
Ø- -nyoka nyoka
(dzi-) -mba dzimba
11 ru- -kova rukova
rw- -ana rwana
12 ka- -chira kachira
k- -ana kana
13 tu- -sikana tusikana
tw- -ana twana
14 u- -pfu upfu
hw- -ahwa hwahwa
15 ku- -nyora kunyora
16 pa- -musha pamusha
17 ku- -nze kunze
17a Ø- -mberi mberi
18 mu- -dumbu mudumbu
-kirasi mukirasi
19 svi-(sv-) -kadzi(-ana) svikadzi(svana)
21 zi- -gadzi zigadzi
Cherechedzo
Zvivakashure zvinonyorwa nemavara madiki kunze kwemupanda 2a unoratidza rukudzo
Mipanda inoda kuchenjererwa
1a /Ø-/ uyu mupanda hauna chivakashure chinoonekwa saka unomirirwa naØ- (zero prefix)
Munowanikwa mazita evanhu sokuti Ruvarashe ; Tavonga mazita eukama sokuti baba,
tete, tezvara….., chinzvimbo chemunhu sokuti mambo, hombarume nezvimwewo.
5 (ri-) mazita ari mumupanda uyu haana chivakashure chinoonekwa kunze kwa rifa na rize
Mazita ari mumupanda uyu anoonekwa nekuda kwekushandisa sungawirirano sokuti:
iro demo
iro bhegi
iro damba
iro bhazi
iro danga
9(i-;/N-/;Ø-) mazita ari mumupanda uyu haana chivakashure chinoonekwa kunze kwemashoma
akaita sa imba
Mazita anomirirwa na/N-/ kana achitaurwa ruzha rwacho rwuno buda
nomumhuno sokuti mbudzi, mombe, mharadzi, nyoka, shiri.
Kunewo mazita anomirirwa naØ- akaita sa chembere, shamwari
Sungawirirano yemupanda uyu ndi iyi kana iyo
10(dzi-;N-;Ø-) mazita ari mumupanda 10 anoratidza uzhinji hwemazita emupanda 9.
Mazita aya ane sungawirirano yekuti idzi kana idzo.
17a (Ø-) mupanda uyu hauna chivakashure chinoonekwa. Mazita emupanda uyu anotaridzawo
nzvimbo sokuti:
mberi
sure
mhiri
zasi
seri
Mhando dzezvivakashure
Chikwata chekutanga ndechezvivakashure zvokuti pazvinoshandiswa panobuda maonerwo
anoitwa chinhu kana zvinhu mazuva ose sokuti:
mu- + -komana ①
mu- + -rapi ①
mu- + -rume ①
Chikwata chepiri ndechezvivakashure zvinotsanangura. Izvi zvinoti kana zvikashandiswa
panobuda pfungwa dzemamiriro echinhu kushora, kumhura kana kutarisira pasi sokuti zigadzi,
zirume, zibenzi.
Zvivakashure zvemamiriro echinhu mazuva Zvivakashure zvinotsanangura
ose
1 mu- mukadzi 7 chi- chikadzi
2 va- vana 8 zvi- zvirume
3 mu- musha 12 ka- kabhegi
4 mi- minda 13 tu- tukatsi
5 (ri-) bango 19 svi- svipenzi
6 ma- maziso 21 zi- zigomana
9 /N-/ nyoka
10 /N-/ nyoka Nezvimwewo
14 u- upfu
Nezvimwewo

Basa rokuita
① Nyora zvivakashure nemadzitsi emazita anotevera:
rwenga muzukuru mwana
bhegi Ruvarashe VaSoko
uroyi misoro denga
seri mapadza tusikana
Mhinduro
Chivakashure dzitsi
rw- -enga
mu- -zukuru
mw- -ana
(ri-) -bhegi
Ø- -Ruvarashe
Va- -Soko
u- -royi
mi- -soro
(ri-) -tenga
Ø- -seri
ma- -padza
tu- -sikana
② Ipa fanano nesiyano yemipanda inotevera
a) 1, 3 ne 18
b) 2, ne 2a
c) 15, ne 17
Mhinduro
a) Mipanda 1, 3 ne 18 zvine fanano yekuti zvivakashure zvakafanana chivakashure mu-
Musiyano
mu- wemupanda 1 anomirira mazita evanhu sokuti munhu, mukadzi, mukomana.
mu- wemupanda 3 anomirira mazita emiti sokuti musasa mumengo zvinhu
zvakarebenuka sokuti mugwagwa ,dzimwe nhengo dzemuviri sokuti musoro;
musana ,imwe midziyo yemumba sokuti mutsvairo; mugomo
mu- wemupanda 18 anoratidza nzvimbo iri mukati sokuti mukirasi; mubhachi;
mudanga
b) 2a ne 2
Ese mazita evanhu
Zvivakashure zvakafanana va-
Mupanda 2a une zvivakashure zviviri va-;Va-
va- wekutanga anoratidza ukama sokuti vamwene ; vasahwira
Va- mukuru ndewekuremekedza sokuti VaGwaza; VaNgara
c) Zvivakashure zvemipanda iyi zvakafanana ku-
Musiyano
ku- wemupanda 15 zviito sokuti kudya; kupa; kufamba
ku- wemupanda 17 unoratidza nzvimbo iri kure nemutauri sokuti kuGranary;
kuShurugwi
ZVISAZITASINGWI

Chisazitasingwi izwi rinomirira zita kana kushanda pamwe chete nezita sokuti :
iye afamba
iye Tendai afamba

Mhando dzezvisazitasingwi
1. Chisazitasingwi chemunhu wekutanga muushoma ini
2. Chisazitasingwi chemunhu wepiri muushoma iwe
3. Chisazitasingwi chemunhu wekutanga muuzhinji isu
4. Chisazitasingwi chemunhu wepiri muuzhinji imi
5. Chisazitasingwi chetaridza-mupanda ivo

Maumbirwo
Chitsigisi + chitaridzamunhu
i- + -ni
i- + -su
i- + -we
i- + -mi
Chitsigisi + chitaridzamupanda + nzvovera
i- + -v- + -o
i- + -ch- + -o
i- + -rw- + -o
Mupanda Chisazitasingwi
1 iye / ivo
1a ivo / iye
2 ivo
2a ivo
2b ivo
3 iwo
4 iyo
5 iro
6 iwo
7 icho
8 izvo
9 iyo
10 idzo
11 imo
12 iko
13 itwo
14 ihwo
15 iko
16 ipo
17 iko
17a iko
18 imo
19 isvo
21 iro

Mubvunzo
a) Nyurura zvisazitasingwi kubva mumazwi anotevera

ava iro idzo ako


isu iyo iri urwu
ini icho iwe idzo
ichi umu imi apo

b) Ipa nzira mbiri dzekuumba nadzo zvisazitasingwi, ipa mienzaniso yakakodzera.


c) Ndeapi mabasa anoitwa nezvisazitasingwi?
Mhinduro
a) Mhinduro iyi inoda ungwarire kuti zvisazitasingwi zvedo zvinotanga mechitsigisi i-

isu iro iwe


ini iyo idzo
ichi icho
Zvimwe zvasara zviratidzi

b) (i) chitsigisi + chiratidzamunhu


i- + -ni
i- + -su
i- + -we
i- + -mi
(ii) chitsigisi + chiratidzamupanda + nzvovera
i- + -v- + -o
i- + -ch- + -o
i- + -tw- + -o
NB Ngwarira kushandisa – pakakodzera.
ZVIDUDZIRAMAZITA

Chidudzirazita chinotiudza zvakawanda pamusoro pezita kana chisazitasingwi.


Chinotsanangura pamwe nekududzira zita kana chisazitasingwi zvakare
sokuti musikana murefu (chipauro)
musikana oga (chirevauwandu)
musikana umwe (chiverengo)
iye uyu (chiratidzi)
iye upi (chisarudzi)

Zviratidzi
Chiratidzi izwi rinoratidza kutsaura nekutendeka nzvimbo inenge ine chinhu kana munhu
ari kutaurwa nezvake.

Mhando dzezviratidzi
① Zviratidzi zvepedo
② Zviratidzi zvekure

Maumbirwo
①Zvepedo
Chitsigisi + Chitaridzamupanda
i– + -chi ichi
a– + -pa apa
u– + -yu uyu
i- + -ri iri

②Zvekure
Chitsigisi + Chitaridzamupanda + Nzvovera /-o/
i– + -dz- + -o
i– + -sv- + -o
a– + -v- + -o
u- + -m- + -o

Mubvunzo

Ipa fanano uye siyano iri pakati pezviratidza nezvisazitasingwi.


Fanano
1. Zvese zvine chitsigisi panzvimbo yechivakashure
2. Zviratidzi zvekure nezvisazitasingwi zvinoratidzamupanda zvine maumbirwo
akafanana

Chitsigisi + Chitaridzamupand + Nzvovera /-o/


a– + a + -o (chiratidzi)
i- + -v- + -o (chisazita)
--v-

3. Zvose zvine chiratidzamupanda / munhu pachinzvimbo chedzitsi seizvi

i– + -ni (chisazitasingwi chedunga munhu)


i– + -ri (chiratidzi chepedyo)
a- + -vo (chiratidzi chekure)

4. Zvimwe zvisazitasingwi zvinoratidza mupanda zvakafanana nezviratidzi zvekure

Mupanda Chisazitasingwi Chiratidzi chekure


chikoro 7 icho icho
nyoka 9/10 iyo iyo
zvikoro 8 izvo izvo

Siyano
1. Pamasheedzero uye mashandisirwo azvo. Chisazitasingwi unoshandisa hwidzazwi, asi
chiratidzi unoderedzazwi.
2. Chisazitasingwi ndicho chinotanga zita rozotevera sokuti :
iye murume
iko kabhegi
pachiratidzi kazhinji zita ndiro rinotanga sokuti :
damba iri
Tinotenda uyo
ZVIPAURO

Chipauro izwi rinotsaura kana kupaura chinhu kubva muruzhinji sokuti ; jira dema , mombe
chena , musikana mukobvu
Maumbirwo ezvipauro
Chivakashure chechipauro + Dzitsi rechipauro
mu – + -refu
chi – + -tsvuku
rwu – + -kuru
ma - + -kobvu

Zvivakashure zvezvipauro zvinopindirana nezvemazita azvinodudzira


sokuti mapanga matema
kabhegi kadiki

Mhando dzezvipauro
(a) Zvipauro chaizvo
(i) Zvipauro zveruvara sokuti ; mashava , zvitsvuku , mapfumbu
Apa panowanikawo zvipauro zvinotaridza uwandu hwezvinhu zviri kutaurwa
seizvi vatatu , vaser , gumi , vana , vashanu
(ii) Zvipauro zvemhumhu
Mutate zvirefu mukobvu chipamhi mupfupi
(iii) Zvipauro zvemamiriro echinhu
mukukutu mutsvene mupenyu chitsva zvishanu mambishi

(b) Mazwi anoshanda sezvipauro


(i) Mazita
murume benzi mukadzi pfambi mombe hono
musikana nherera mbudzi nhongo
(ii) Zvirevamwene
chibage chemumhare motokari yewaya mukomana wenyengo
bhora remadhende
(iii) Chidudziramuiti /chiitopauro
Mazwi aya zviitopauro nekuti maumbirwo acho anoburitsa zvivakazwi
zvinowanikwa muzviito zvine zviwedzerwa uye zviine mudzi wechiito

vanotamba vanoverenga
va- chiratidzamuiti va- chiratidzamuiti
-no- chiratidzanguva -no- chitaridzanguva
-tamb- mudzi wechiito -vereng- mudzi wechiito
-a nzvovera yekupedzisira -a nzvovera yekupedzisira

Mubvunzo

① Nyora zvipauro zvinopindirana nemazita anotevera. Usadzokorpra chipauro


chawashandisa

nzungu chembere murume


churu moto bhuku
dota nzvimbo chibage
ambuya rwizi nyama

Mhinduro
Apa unotarisirwa kusadzokorora chipauro unongoshandisa kamwe chete
nzungu mbishi
churu chikuru
dota jena
ambuya varefu
chembere mbiri
moto mutsvuku
nzvimbo diki
rwizi rupambi
murume pfambi
bhuku dema
chibage chinyoro
nyama mbishi

ZVIREVAUWANDU

Chinoratidza kuwanda kwezvinhu kana vanhu


Zvirevauwandu zvine madzitsi matatu -se ; -ga na –mene
sokuti vose , tega , womene
Maumbirwo
Chivakashure + Chirevauwandu + Nzvovera + Dzitsi
inoshanduka rechirevauwndu

r- + -o- + -se rose


nd- + -e- + -ga ndega
zv- + -o- + -mene zvomene
ch- + -o- + -mene chomene

Zvivakashure zvezvirevauwandu zvinopibdirana nezvivakashure zvemazita


nezvisazitasingwi zvinodudzira sokuti
munhu wokutanga ndo-o-ga
munhu wepiri vawanda m-o-se
mupanda 3 w-o-ga
mupanda 15 kw-o-ga
NB Zvirevauwandu zvinoda kungwarirwa pamaumbirwo apo. Unofanira
kupatsanura chivakashure chechirevauwandu nenzvovera
k-o-ga

ZVIVERENGO
Zvinonyatsodoma uwandu hwevanhu kana zvinhu. Panobuda pfungwa
yokuverenga kana kurava.
Chiverengo chine madzitsi matatu –mwe ; -mwe ; -i
a) –mwe wokutanga anoreva chinhu chimwe chete skt mwana mumwe , badza
rimwe , chikoro chimwe
b) –mwe wepiri kusarudza, kuchibvisa pane zvimwe chiri chimwe chete
dzimwe chembere
rimwe zuva
imwe mbudzi
c) Kubvunza rudzi kana mhando sokuti
mutii?
munhui?
mwanai?
Maumbirwo ezviverengo
Chivakashure chechiverengo + Dzitsi rechiverengo
i- + -mwe
mu- + -mwe
mu- + -i

Zviverengo zvine zvivakashure zvizhinji zvinongofanana nezvemazita.


Zvisarudzi/zvirevamwene
Izvi zvinonongedza nzvimbo ine chinhu kana munhu
Maumbirwo
Chivakashure chechisarudzi + Dzitsi reshisarudzi
va- + -no
zvi- + -ye
dzi- + -pi

Zvisarudzi zvine madzitsi matatu chete –no ; -ye ; -pi


Zvirevamwene
Izvi zvine basa rokuratidza muridzi wechinhu. Chirevamwene chine
sungawirirano nezita rachinodudzira uye chinoshandisa chivakashure chezita
rachinodudzira.
Maumbirwo ezvirevamwene
Chivakiso/chiiswa + Nzvovera + Dzitsi rechirevamwene
chechirevamwene
dz- + -a- + -baba
zv- + -e- + -mba
w- + -e- + -mumba

Madzitsi ezvirevamwene
1. Mazita anogona kuve madzitsi ezvirevamwene
watete (1a) vemusango (18) chasekuru (1a) kaamai (2b)
2. Zvisazitasingwi zvinogona kuve dzitsi rechirevamwene
ra- + -ko rako
zva- + -rwo zvarwo
3. Chiitopauro chinogona kushanda sedzitsi rechirevamwene
yevanondiziva zvevanorwara rechakanaka
4. Chiratidzi chinogona kuve dzitsi rechirevamwene
ye- + -ava yeava
zve- + -ichi zveichi
5. Chiverengo chinogona kuve dzitsi rechirevamwene
zve- + -mumwe zvemumwe
dze- + -pai dzepai
che- + -mumwe chemumwe
6. Chisarudzi/chinan’anuri chinogona kushanda sedzitsi rechirevamwene
che- + -zviye
zve- + -vapi
sva- + -vano
7. Chirevamwene chinogona kuva dzitsi rechirevamwene
zve- + -vake
ke- + -zvangu
che- + -dzambuya

Basa rezvirevamwene
(a) Kuratidza basa rechinhu
shamhu yokurovesa
mutsvairo wekutsvairisa
imba yokugara
(b) Kuratidza chakagadziriswa chinhu
kapu yedhaka
bhora rechikumba
(c) Kuratidza mhando yechinhu
mombe yemhou
sadza rezviyo
(d) Kuratidza unhu/tsika
Baba vekudhakwa
Mukomana wenyengo
Amai venyambo
(e) Kuratidza mudziyo unogara chinhu
Gaba redovi
Bhegi remari
Chigubhu chemvura
Bhegi remabhuku
(f) Kuratidza nzvimbo
Vachenjeri vekumabvazuva
Vasikana vekwaMereki
Vakomana vekuGheto
(g) Kuratidza muridzi wechinhu
Mbanje dzaRasta
Bhaibheri raMufundisi
Pfuti yasekuru
Mushonga wen’anga
Huku dzake

Mibvunzo

1. Umba zvirevamwene uchishandisa sungawirirano yechirevamwene


yakasiyana pazwi rega rega
isu chipo asinganzwi mumusha mberi zvitsvuku
gumbo rako baba chino mai mombe
asekuru

Mhinduro
Kana wapiwa mubvunzo wakadai usazodzokorora sungawirirano
yechirevamwene seizvi
Ukati zvedu pana isu usazodzokorora zv- pana mumusha ukati zvemumusha
unenge watotadza
Zvakare ukati chegumbo panagumbo ukazoti chemombe pana mombe unenge
watadza

Sungawirirano dzezvirevamwene dzakawandisa saka unongoshandisa


chakakosha kusadzokorora sungawirirano chete
chedu rechino twemberi
dzemumusha zvemombe svamai
yegumbo mechipo kaasekuru

Zvindori

Mazwi anoburitsa chirevo asi chisina chiito mukati


Sokuti nditete vake
itsori yangu
Maumbirwo ezvindori
Chiwedzerwa chechindori + Zita/chidudzirazita
ndi- + -baba
i- + -garwe

Mhando dzezviwedzerwa zvezvindori


/ndi-/ ; /i-/ ; /nda-/ ;hwidzazwi /H/ na /ha-/
(a) Chiwedzerwa /ndi-/
Chinoshanda nemazita omupanda 1a , 2a , 2b nezvisazitasingwi zvese.
Sokuti ndi Ruvarashe 1a
ndi VaMaphosa 2a
ndi ambuya 2b
ndini chisazitasingwi
ndizvo chisazitasingwi
ndiye chisazitasingwi
ndini chisazitasingwi

(b) Chiwedzerwa /i-/


Chinoshanda nemazita uye zvipauro zvemipanda 5,9,ne10
idambo Mupanda 5 idema (5 chipauro)
imombe Mupanda 9 itema (9 chipauro)
ihuku Mupanda 10 itsvuku (10 chipauro)

(c) Hwidzazwi /H/


Ichi chinoshanda nemazita nezvipauro zvemipanda
1a 2a 2b 5 9 ne 10 sokuti
musikana 1
mugwagwa 3
matamba 6
(d) Chiwedzerwa ha-
Chine nhoredzera dzinoti /ha- ; he- ; ho-/
Idzi dzinoshanda nezviratidzi nezwisarudzi sokuti
hoyu chiratidzi
hekuno chisarudzi
(e) Chiwedzerwa nda-
chine nhoredzera dzinoti /nda- ; nde- ; ndo-/
sokuti ndeumwe (chiverengo)
ndaava (chiratidzi)
ndevose (chirevauwandu)
ndevapi (chisarudzi)
ndezvaChiedza (chirevamwene)
ndevanogona (chiitopauro)

Mibvunzo(chindori)
1. Ita kuti mazita anotevera ave zvindori
isu ingwe gudo mbuya
baba muZambia wangu kunyora
sekuru icho mumwe nyoka
nyanga mugomo doro

Mhinduro
Uyu mubvunzo unongoda kuti uwedzere chiwedzerwa chakafanira paizwi rega
rega
Sepana isu tinoti ndisu kwete ndaisu
ndibaba muZambia ndemumwe
ingwe ndisekuru idoro
igudo inyanga kunyora
ndimbuya inyoka

Zviito

Mudzi wechiito
Ndicho chipande chechiito chisingashanduki kunyange nharaunda yechiito
ikashanduka mamiriro sokuti
-bik- ku-bik-a pa-ku-bik-a ku-bik-ir-w-a
Tikacherechedza mudzi –bik- hausi kushanduka
Mhando yemidzi yezviito
 Midzi yezviito ine vara rimwe chete
kupa -p-
kuda -d-
kuba -b-
 Midzi yezviito ine mavara akawanda
kutamba -tamb-
kunyora -nyor-
kumhanya -mhany-
kuverenga -vereng-
kubaya -bay-
 Midzi yakadzokororwa
kuchemachema -chem-chem-
kutamba-tamba -tamb-tamb-
kuchera-chera -cher-cher-
 Midzi yakakweretwa kubva kune mimwe mitauro
sebenza -sevenz- Ndebele
tshaya -chay- Ndebele
drive -dhiraivh- chirungu
key -kiy- chirungu
dhura -dhur- Africans
 Midzi yakabva kune mamwe mazwi eChiShona
kusvetuka -svetuk- nyaudzosingwi svetu
kupfupika -pfupik- chipauro pfupi
kuremara -remar- zita rema
 Midzi yezviito yakarebeswa
cheka -es- -chek-es-
bika -ir- -bik-
Mubvunzo
Nyukura midzi yezviito zvinotevera
(a) Kuyaruka
(b) Vanobva
(c) Kuseka
(d) Vadiwa
(e) Musandizeza
(f) Tambiswa
(g) Kunzwanana
Mhinduro
Kana uchipindura mubvunzo wakadai unofanira kuziva mudzi wechiito
wonyora mudzi chete .Panoda zvakare kuti ungwarire - -
Kuyaruka -yaruk-
Vanobva -bv-
Kuseka -sek-
Vadiwa -d-
Musandizeza -zez-
Tambiswa -tamb-
Kunzwanana -nzw-
Rebeso dzezviito
Zita rerebeso Chiito Rebeso Chiito
Yenyanyiso tamba -is- tambisa
chek -es- chekesa

Yokuitira tamba -ir- tambira


tora -er- torera

Yokuitirana tuka -an- tukana


reva -an- revana

Yedzokororo dyara -urur- dyarurura


dzoka -oror- dzokorora
Yemherevedzo bata -irir- batirira
chek -erer- chekerera
Yekonzero tuka -is- tukisa
rara -y-(-dz-) radza
Yokuitwa
rova -w- rohwa
takura -iw- takuriwa
Yempfumvunuro
sunga -unur- sungunura
kiya -inur- kiyinura
Yemamiriro echinhu
oma -arar- omarara
shama -arar- shamarara
Yokubatana
gonya -an- gonyana
sanga -an- sangana
Yegoneko
idya -ek-/-ik-/ dyika
tenga -ek- tengeka

Rebeso dzinogona kushanda dzakabatanidzwa muchiito chimwe


Zita rerebeso Chiito chakarebeswa Rebes
o
Yekonzero+yokuitirana Kubatisana
-is-an-
Yekonzero+yokuitwa Kuroveswa
-es-w-
Yekuitirana+yokuitira+yokuitirana Kutukanirana
-an-/-
Yekonzero+yokuitira+yokuitirana+ kufungidziranwa ir-/-an-
yokuitwa -idz-/-
ir-/-
an-/-
w-
Mushure mokuverenga zviito zvose zvakakosha kuti munhu azive
zvinotevere:
i) Chiito chisina kuvandurirwa.
ii) Mhando dzezvivanduriro.
iii) Chiito chakavandurirwa.
iv) Kuziva rebeso yoga yoga.
v) Kubatanidza zvivanduriro zvakawanda muchiito chimwe chete.
vi) Kupatsanura mudzi wechiito kubva kurebeso yakashandiswa.
vii) Zvivanduriro/rebeso dzinoshanda dzakabatanidzwa muchiito
chimwe chete.
Mibvunzo
Mazwi matema muzvirevo zvinotevera zviito zvakarebeswa.
a) Mumba munoda kugarisana zvakanaka.
b) Vakatukirana mukadzi pfambi.
c) Ndanamatirwa nechikwekwe.
d) Panofungidziranwa uroyi pamusha uyu.
e) Pabani iro ndipo panorwisaniswa mombe.
f) Vakatukirana, vakarovana zvakasimba.
Zvino chiratidza zvinotevera:
i) Mudzi wechiito
ii) Rebeso dzechiito
iii) Zita rerebeso imwe neimwe yakashandiswa
Mhinduro
Pamubvunzo uyu cherechedza mazwi matema chete. Usazotora zviito zvisiri
zvitema sepa a) ukatora munoda unenge watadza
Unogona kuisa mhinduro yako mukatafura seizvi
Mudzi wechiito Rebeso dzechiito Zita rerebeso

-gar- -is- Yekonzero


-an- Yekuitirana

-tuk- -ir- Yekuitira


-an- Yekuitirana

-namat- -ir- Yekuitira


-w- Yekuitwa

-fung- -idz- Yekonzero


-ir- Yekuitira
-an- Yekuitirana
-w- Yekuitwa
-rw-
-is- Yenyanyiso
-an- Yekuitirana
-is- Yekonzero
-ir- Yekuitira
-w- Yekuitwa
-tuk-
-irir- Yemherevedzo
-an- yekuitirana

Madonzvo ezviito
Zvinangwa zvezviito. Unofanira kuziva kuti chiito chega chega chakanangana
nekuti udii, zvimwe zviito zvinoudza zvimwe zvinokurudzira
Mhando dzemadonzvo
1. Donzvo rekurudziro
Rinoonekwa nekushandisa chivakashure chekurudziro /nga-/ kana /ha-/
sokuti ;
Ngatimanyei kumba mvura yonaya
Hatitakurei mabhuku edu ose
Vana ngavaverenge kuti vapase
2. Donzvo rezvinogona kuitika
Donzvo iri rinojekesa mukana wokuti chimwe chinhu chinogona kuitika.
Mudonzvo iri munoshandiswa chivakapakati /–nga-/
Ichi chivakapakati chinowanikwa chiri pakati pezvimwe zvivakazwi.
Sokuti
 Angatsamwa, kana wakamunyima nyama
 Mbudzi dzingadyiwa nemapere dzikasapfigirwa mudanga.
 Ambuya vangafa vakasarapiswa.
Pane fanano pakati pa/Nga-/ wedonzvo rekurudziro na /nga-/ wedonzvo
rezvinogona kuitika nokuti vose ndana /nga/ asi, mutsauko uripo
ndewekuti /Nga-/ wekurudziro anoshanda sechivakashure pose
paanoshandiswa, /nga-/ wezvinogona kuitika anoshanda sechivakapakati
sezviri pamusoro.
3. Donzvo rokuudza
Donzvo iri rinowanzoburitsa zvakanga zvisingazivikanwi nevamwe
kuburikidza nokuudzwa nemutauri.
Munhu anongoudzwa zvaanga asingazivi. Sokuti;
i) Mudhorobha munonetsa mvura nemagetsi.
ii) Baba vatenga mbudzi kuBinga
iii) Mumwe mukadzi akaeredzwa nerukova gore rakapera
iv) Chipfambi chanyanya nokuda kwenzara
v) Ndasiya baba vachirova amai.
4. Donzvo rokuita
Donzvo iri rinoburitsa kuita kuburikidza nokushandisa zviito zviri mumupanda
15 zvine chivakashure /ku-/. Sokuti:
i) Tinoda kutaura nemukuru wemapurisa
ii) Vana vanofanira kudzidza chishona
5. Donzvo rechishuwo
Donzvo iri rinoburitsa zvishuwo/shuwiro dzevanhu. Donzvo iri rinoshandiswa
chiitogama/-ti/. Sokuti:
i) Kuti ndidye ndinofanira kubika sadza
ii) Kuti nditore mwana amai vanotsamwa
6. Donzvo rokutuma/kurayira
Donzvo iri rinoburitsa munhu kana vanhu vari kutumwa kuita chimwe chinhu.
Pane mhando mbiri, mhando idzi dzinosiyana pamaumbirwo adzo
zvichienderana nemashandisirwo adzo.
Mashandisirwo edonzvo rekutuma
a) Kurayira kana kutma munhu mumwe chete, mudiki kana mukuru, asi
paukama usingamuremekedzi.
Tendai, gara pasi! Mukuwasha, tema huni! Muroora, enda kutsime!
b) Kurayira vanhu vakawanda kana munhu waunoremekdza.
Vakomana, mhanyai kuchitoro. Ambuya, rayirai mwana uyu!

Mibvunzo
1. Ongorora zvirevo izvi zvakavhenekwa. Zvino chidoma donzvo rezviito zvazvo.
i) Kuti tikunde ngatishandei nesimba.
ii) Ane banga rakapinza
iii) Hatibhadharei mari kuti tisadzingwa chikoro
iv) Vakomna mhanyai munotinha mbudzi
v) Amai vakatenga poto nezuro
vi) Vatukana ,vakarwa,vakasungwa
vii) Mudzidzisi akasvika vana vachitamba bhora
viii) Vana vari kutamba bhora
ix) Musagara pamvura vana
x) Hondo yakasunungura vanhu
xi) Vana vangatorwa kana vapedza kudya
xii) Ngatitaurei kana tabvunzwa
Mhinduro
i) Chishuwo
ii) Kuudza
iii) Kurudziro
iv) Kutuma
v) Kuudza
vi) Rezvanga zvichiitika panguva iyoyo
vii) Nhevedzano
viii) Kuita
ix) Kutuma
x) Kuudza
xi) Rezvinogona kuitika
xii) Kurudziro
PART B
QUESTION PAPER 1
1. Tarisa mazwi aya ugopindura mibvunzo inotevera.
mbiri danga
rutsanga mwedzi
mutema ruvara
shanu nzou
rutsvuku mbudzi
guru mavi
muchena masango
rurefu mukadzi
a) Kubva pamazwi ari pamusoro apa nyora zita nechipauro zvinopindirana. Ita izvi
kudzamara wapedza mazwi ose.
b) Ipa mitsauko mitatu iri pakati pemazita nezvipauro
2. Mazwi ose anotevera zvisazitasingwi,zviratidzi zvepedyo nezvekure zvakasanganiswa.
ichi iyo ipo isu
umo ini iwe ako
itwo icho iri umu
ava
a) Ronga mazwi erudzi rumwe chete pawo ega kudakara wapedza ese.
b) Tora izwi rimwe chete kubva muchikwata choga choga uchiratidza maumbirwo.
3. Tarisa mazwi aya anotevera wozopindura mibvunzo inotevera:
shumba baba donga mberi
mweni riya avo isu
ani zvenyika Tapera
mukadzi
a) Ita kuti rimwe nerimwe remazwi aya rive chindori
b) Tsanangura kuti izvo zvindori izvi zvinovakwa sei muChiShona.
4. Tsanangura zvinogona kureva mazwi anotevera:
i) mwedzi vi) guru
ii) gomba vii) guta
iii) nyara viii) nzara
iv) mugomo ix) nyora
v) bara x) gura

a) Sarudza mazwi mashanu chete kubva pane ashandiswa pamusoro. Zvino chiumba
zvirevo zviviri zvinoburitsa pachena zvinogona kurehwa neizwi roga roga rawasarudza.
Sokuti :
Musikana akatakura mugomo uzere nemvura.
Makudo anokwira mugomo kana zuva rave kudoka.
5. Kubva muzviito zvakanyorwa nemavara matete, nyukura chiratidzanguva ugopa zita racho.
a) Ndivo vakati vachauya nemusi weMugovera
b) Topa zvekudya kune vasingashandi here?
c) Angaramba zvake asi taishanda tose
d) Vanhu vanofarira kuba handivadi zvachose
e) Vapinda nezvinyoreso here muimba yekunyorera bvunzo?
f) Vakatsakatita zvavo asi vairwira rusununguko rwenyika ino
g) Vazhinji vanonyora bvunzo avo ndevegwaro rechina
h) Kana tichirima pabarika, hatiite zveusimbe
i) Vadya manhanga aambuya ndivanani?
j) Muchaziviswa kana voenda kumusha
QUESTION PAPER 2
1. a) Isa mazita anotevera mumipanda
datya upfu zai tete amai mberi moto shiri chingwa VaHomela
b) Nyora nzira dzinoshandiswa kuisa mazita mumipanda
2. Umba mibvunzo uchishandisa nzira dzokuumba nadzo mibvunzo dzinotevera
-nyi
Ko
-ko
-su
Sei
-pi
-i
3. Nyora zvitaridzanguva zviri muzviito zvakanyorwa nezvitema. Ugodoma zita racho.
i) Vasikana vanogara vachifara
ii) Mambo Ngara vakasvika varanda vatiza
iii) Nguva zhinji taitenga zvipfeko zvakanaka
iv) Vachapasa vakaramba vachishanda nesimba
v) Aenda kutsime
vi) Ndasvika vachidya manhanga
4. Verenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo inotevera.
Vasikana ava vakadzidziswa nezvekuchengeta hove munharaunda. Chandinoziva ndechekuti
hove idzo hadzitani kukura. Mbuya wangu akandiudza kuti chidhamu ichi chakambopera
mvura gore rakapera asi rwizi urwo harwuna kupera. Isu tinofanira kuchengetedza
nharaunda zvakanaka.
a) Nyurura zviratidzi zviri mundima yawaverenga ugozviisa muzvikwata zvazvo
b) Tsanangura maumbirwo ezviratidzi zvezvikwata zvawaumba mu(a) uchipa mienzaniso
miviri yezviratidzi zvisiri mundima pachikwata.
5. Pazvirevo zviri pazasi, nyurura midzi yezviito ugopa mhando yayo
a) Apiwa mari zhinji kwazvo
b) Akapfimbika mango muupfu hwedu
c) Wave kuchema-chema nhando mazuva ano
d) Chitoro chidiki chinodhura pamitengo
e) Musikana wake anosekerera kana vasangana
QUESTION PAPER3
1. Sarudza izwi rimwe chete riri muchikwata chimwe nechimwe chamazwi anotevera
risingawirirane nemamwe. Ipa chikonzero chaita kuti uti izwi rawasarudza ndiro rakasiyana
nemamwe
i) uyu iko uyo iri
ii) gobvu gora gomba gororo
iii) ini isu umu iwe
iv) vababa zvenyu dzangu vamwe
v) nyorai zvikuru vakadya vapfeka
vi) rimwe voga mumwe upi
vii) mberi mumusha kumunda pamba
viii) dzakanaka refu guru dema

2. Zvirevamwene zvinogona kureva zvinhu zvakasiyana-siyana. Tsanangura zviri kurehwa


nezvirevamwene zvinotevera:
i) Sadza rababa vii) Imba yeuswa
ii) Mombe yegono viii) Derere raambuya
iii) Gaba redovi ix) Bhora remapepa
iv) Benzi remukomana x) Musikana wemanyawi
v) Mwana wemusango xi) Banga rokuchekesa
vi) Badza rokusakurisa xii) Mombe yemashanga
3. Umba zviito uchishandisa dzitsi rechiito/-tamb-/ nezvivanduriro zvakapiwa.
i) Chenyanyiso
ii) Chekuitika
iii) Chemherevedzo
iv) Chekuitirana nechekonzero
v) Chekuitirana nechekonzero nechekuitwa
vi) Chekuitwa

a) Shandisa zviito zvawaumba muzvirevo uchinyatsoburitsa zvazvinoreva


4. Tsanangura nzira gumi dzekugadzira nadzo mibvunzo uchipa muenzaniso mumwe chete
panzira yoga yoga
5. Zvirevo zvinotevera zviri mumadonzvo api ezviito.
a) Vatete vakabika doro
b) Vana vari kuenda nhasi
c) Ngatisatamba nenyaya iyi vehama
d) Mvura inganaye mangwana
e) Ndavaona vachinyora tsamba
f) Ndinoda kuti uuye kumba
g) Endai muchimhanya!
h) Handidi vanhu vane usimbe
i) Jongwe rakazvirova rikazhamba
j) Musapfeka shangu idzo
QUESTION PAPER4
1. Nyora mipanda nezvivakashure zvemazita anotovera
umambo muhomwe mwana
misawu rwizi chitoro
matamba shiri gudo
VaNgara

2. Verenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo iri pazasi


Kwakasvika kamwe kakomana kakasvikoti dzi pana VaKombora. VaKombora vakatambira
shoko riya nomufaro mukuru ndokuriudza VaMhaka. Vachinzwa izvi vakaita sevanopenga
nokufara. Varume vose vakangoti kanhama nazvo.

a) Nyurura zvidudziramazita zvose zviri mundima iyi, ugodoma zita rechimwe nechimwe
chezvawanyora
b) Pazvidudziramazita zvawanyora sarudza zviviri chete ugotsanangura maumbirwo azvo,
uchipa muenzaniso mumwe chete pachidudzirazita choga choga
3. Vandurira chiito tamba nerebeso dzinotevera ugoshandisa muzvirevo
a) Yemherevedzo
b) Yenyanyiso
c) Yekuitira
d) Yekonzero
e) Yegoneko
f) Yekuitirana

4. Ongorora zvirevo zvinotevera ugodoma mazita ezvakatarwa mitsetse pasi pazvo


a) Voenda kuUkraine
b) Isu toga ndisu tadya sadza nederere
c) Mbuya vakundimutsa kwatodoka
d) Vasiya zvavasingagoni izvo

5. Nyora zvirevo zvishanu zvine zvidudzirazviito zvakasiyana. Doma zita rechidudzirachiito


chawashandisa panoperera chirevo choga choga

QUESTION PAPER 5
1. a) Ita kuti anotevera ave muuzhinji. Sarudza mana chete
munyii
jinda
rukova
churu
rwendo
b Tsanangura maumbirwo emazita mana awaisa muuzhinji uchiratidza mipanda yawo

2. Ipa chisazitasingwi nemupanda zvezita rimwe nerimwe rapihwa


meno rakashandiswa semuenzaniso
Zita Chisazitasingwi Muupanda
meno iwo 6
rwizi
jeko
baba
nhapwa
misoro
svikomana
zigadzi
tusikana
uroyi
seri

3. Ita kuti mazita anotevera ave zvindori


a) tema sekuru
chimwe ako
chikoro riye
b) Tsanangura maumbirwo echindori uchipa mitatu chete inobva pane zvawaumba

4. Nyora zvirevo zvakasiyana uchishandisa mhando dzemaumbirwo emutauro dzakapiwa


pachirevo choga choga
muenzaniso mhando-zita remupanda 12
mhinduro katsuro kakanzvenga musango
a) Chidudzirachiito chenzvimbo
b) Chirevamwene
c) Zita remupanda 17a
d) Chiratidzanguva chezvanga zvichiitika
e) Donzvo rechiito rekurudziro

5. Rebesa midzi yezviito nerebeso dzakapiwa


a) –bay- (yokuitwa)
b) –tem- (yekuitira)
c) –sek- (yenyanyiso)
d) –muk- (yekonzero + yekuitwa)
e) –mhany- (yekuitira+yemherevedzo+yekuitwa)
f) –rov- (yekuitirana+yekonzero+yekuitira+yekuitwa)
g) –gar- (yekonzero)

PART B MHINDURO

QUESTION PAPER1

1a)
mbudzi nhatu
rutsanga rurefu
mukadzi mutema
Nzou shanu
ruvara rutsvuku
danga guru
masango mavi
mwedzi muchena

b. Mitsauko iri pakati pemazita nezvipauro


zvipauro zvinotsanangura zita kana chisazitasingwi sokuti
mbeva zhinji

zvivakashure zvezvipauro zvishoma tichienzanisa nezvemazita

madzitsi ezvipauro mashoma kana tichienzanisa neemazita

2a)
Zviratidzi zvepedyo Zvekure Zvisazitasingwi
ichi umo isu
ava icho iwe
umu ako ipo
iri iyo ini
Hwo

b. chitsigisi + chiratidzabato(zvepedyo)
i- + -chi
zvekure
chitsigisi+chitaridzabato+nzvovera –o
i-+-ch-+-o
cherechedzo:Ngwarira kuisa – panzvovera o
chisazitasingwi
chitsigisi + chiratidzamupanda
i- + -ni
3a)
ishumba ndibaba idanga
mberi mweni
nderiya ndeavo
ndisu ndiani
ndezvenyika ndiTapera
mukadzi

b. chiwedzerwa chechindori + chizita


ndi- + -tete
i- + -hari
ha- + -avo
/H-/ + -murume

4 (i) mwedzi wegore


Unopa chiedza usiku
(ii) gomba rinorasirwa marara
Murume anodanana nemudzimai wemunhu
(iii)nyara kuva nenyadzi
Kuneta
(iv) Mugomo wekucheresa mvura
Munogara makudo
(v) Bara repfuti
Kuzvara mwana
(vi) Guru barika
Mwena
(vii) Guta dhorobha
Kudya chikafu chakaringana
(viii) Nzara dzemumaoko
Kuziya nekushaya chikafu
(ix) Nyora dzinotemerwa murwere
Kunyora zvinoverengwa
(x) Gura kudimbura
Bani

5a) –cha- nguva yozvichaitika


b. –o- zvoda kuitika
c) -i- zvaigaroitika
d) –no- nguva yazvino
e) –a- yezvichangoitika
f) –ka- nguva yakare

QUESTION PAOER2

1a)
datya 5 mberi 17a
upfu 14 moto 3
zai 5 shiri 9/10
tete 1a chingwa 7
amai 2b VaHomela 2a

b. zvivakashure zvakafanana sokuti


chitoro
chikoro
sungawirirano yakafanana
iro gudo
iro damba
zvaanoreva zvakafanana sokutimazita evanhu
Tavonga
Ruvarashe
Sungano yeuwandu neushoma kubva pamupanda 1-10
murume varume
musasa misasa
gudo makudo
chingwa zvingwa
shiri shiri
2. Apa unoumba mibvunzo yaunoda iwe uchishandisa nzira dzakapiwa

3. i) –no- nguva yazvino


ii. –ka- nguva yakare
iii. –i- zvaigaritika
iv. –cha- nguva yezvichauya
v. –a- nguva yezvichangoitika
vi. –chi- nguva yezvanga zvichiitika panguva iyoyo

4. chiratidzi chepedo chiratidzi chekure


ava idzo
ichi urwo
chitsigisi + chitaridzamupanda
a- + -va
Chitsigisi + chitaridzamupanda + nzvovera -o
i- + -dz- + -o

5. a. –p- mudzisingwi
b. –pfimbik- mudzi wakabva kune zvimwe zvipenga
c. –chem-chem- mudzi wakadzokororwa
d. –dhur- mudzi wakakweretwa
e. –sekerer- mudzi wakarebeswa

QUESTION PAPER3

1. i- iko chisazitasingwi zvimwe zviratidzi


ii- gobvu chipauro amwe mazita
iii- umu chiratidzi zvimwe zvisazitasingwi
iv- vamwe chiverengo zvimwe zvirevauwandu
v- zvikuru chipauro zvimwe zviitopauro
vi- voga chirevauwandu zvimwe zviverengo

2. i- muridzi wechinhu
ii- mhando yechinhu
iii- mudziyo unogara chinhu
iv- unhu hwemunhu
v- mhando yechinhu
vi- basa rechinhu
vii- mhando yechinhu
viii- muridzi wechinhu
ix- kuratidza chakagadzirisa chinhu
x- unhu kana tsika
xi- basa rechinhu
xii- mhando yechinhu
3. i- tambisa
ii- tambika
iii- tambirira
iv- tambwa
b. nyora zvirevo uchishandisa zviito zvawarebesa pa(a)

4. i- kushandisa /here/ sokuti


wanyara here?
ii- Kushandisa /ani/
Vanonzi ani?
Watora ani
iii- Kushandisa /rini/kana/rinhi/
Anoenda rini America?
Unouya kuno rinhi?
iv- Kushandisa kani
Arohwa kani?
v- Kushandisa /nhai/
Mwana wake nhai?
vi- Kushandisa /ko/
Ko, makauya naye?
vii- Kushandisa /-ko/
Unomudiiko?
viii- Kushandisa /sei/. Sei ane nhoredzerwa dzakasiyana-siyana zvichienderana
nemitauronyana inoshandiswa munzvimbo dzakasiyana dzinoti;
/ngei/ngenyi/na/nei/
Muri kufamba sei?
Mauya ngei?
Vanotaura ngenyi?
Mamudaro nei?
ix- Kushandisa /-pi/
Ari kupi?
x- Kushandisa /-ngani/
Matora manganic?
xi- Kushandisa /-su/
Wadyasu?
xii- Kushandisa /-i/
Chii?
xiii- Kushandisa hwidzazwi
Atiza?

5. i- donzvo rekuudza
ii- donzvo rekuudzo
iii- donzvo rekurudziro
iv- donzvo rezvinogona kuitika
v- donzvo rezvanga zvichiitika panguva iyoyo
vi- donzvo rechishuwo
vii- donzvo rekutuma
viii- donzvo rekuudza
ix- donzvo renhevedzano
x- donzvo rekutuma

QUESTION PAPER4

1.
Mupanda Zvivakashure
14 u-
4 mi-
6 ma-
2b Va-
18 mu-
11 rw-
9/10 /N-/
1 mw-
7 chi-
5 (ri-)

2a.
Chiverengo Chisarudzi
kamwe riya

Chipauro ciratidzi chepedyo


mukuru izvi

Chirevauwandu
vose

b. chiratidzi
chitsigisi + chitaridzamupanda
i- + -zvi
Chipauro
Chivakashure chechipauro + dzitsi rechipauro
mu- + -kuru
3 Nyora zvirevo zvine rebeso dzakapiwa
tambira
tambisa
tambira
tambisa
tambika
tambana

4 a) –o- chitaridzanguva
b. isu chisazitasingwi
toga chirevauwandu
ndi- chiwedzerwa chechindori
c. va- chitaridzmuiti
-ndi- chitaridzamuitirwi
-dok- mudzi wechiito
d. –a nzvovera yekupedzisira
-sing- chiumbazwi cheranduro
Izvo chiratidzi chepedo
5 i- muiti wechinhu -varohwa nemudzidzisi
ii- Kuve pamwe – auya natete
iii- Chinhu choshandiswa kuita chinhu –anyora nepenzura
iv- Wekutaridza chombo chashandiswa – vafamba nomusango
v- Zvinotaridza nguva – akauya muchirimo
vi- Zvinotaridza nzvimbo – vanoimba mutemberi
vii- Zvinoratidza maitikiro echinhu – ange achifamba zvishoma
viii- Zvinoratidza udzamu – arohwa neCovid ruviri
ix- Zvinoratidza fanano – anofamba saamai vake

QUESTION PAPER5

1(a) minyii machinda hova zvuru nzendo


b.
Chivakashure + Dzitsi
mi- + -nyii
ma- + -chinda
/N-/ + -kova
zv- + -uru
/N-/ + -endo

2
Zita Chisazitasingwi Mupanda
rwizi irwo 12
jeko iro 5
baba ivo 1a
nhapwa iyo/idzo 9/10
misoro iyo 4
svikomana isvo 19
zigadzi iro 21
tusikana itwo 13
uroyi ihwo 14
seri iko 17a
3
itema ndisekuru
ndechimwe ndeako
chikoro nderiye
b. chiwedzerwa chechindori + chizita
i- + -tema
/H/ + -chikoro
ndi- + -sekuru
nda- + -ako
nda- + -chimwe
nda- + -riye

4 Putin mukuru wekuRussia

Vakuru vehondo vasvika


Seri kweguva hakuna munamato
Ndawana vachirwa
Ngatinamatei tose

5i- bayiwa
ii- temera
iii- sekesa
iv-mutswa
v- Mhanyirirwa
vi- Rovanidzirwa
vii- Gadza
viii- Garisa

You might also like