Professional Documents
Culture Documents
ZIMBABWE
MORGAN ZINTEC COLLEGE
CHIDZIDZO CHISHONA
MUBVUNZO
ONGORORO
…………………………………………………………………………………………………………………………
…………………………………………………………………………………………………………………………
…………………………………………………………………………………………………………………………
………………………………………………………………………………………………………………………..
1
ZVIBODZWA
2
vanobva vazivawo kukosha kwekuteerera vachiziva kuti mudzidzisi anogona
kubvunza mibvunzo. Munzira iyi mudzidzisi anofanira kubvunza mibvunzo
inoenderana nezera revadzidzi vake. Anogona kuona vadzidzi vachinyatsopindura
izvo mibvunzo yacho ndeyenhando kana kuti vasingatopinduri nokuda kwekuti
hazvisi zvezera. Mpondi (2005) anowedzera kuti mudzidzisi anoda kubvunza
mibvunzo inoita kuti vadzidzi vafunge, vaite nhaurirano nekuburitsa pfungwa
dzavowo. Nzira yemibvunzo nemhinduro inzira yakanaka kwazvo pakudzidzisa vana
vemagwaro ekutanga.
Imwe nzira yekugovera nayo ruzivo kuvana vemagwaro ekutanga inzira yemapoka.
Iyi inzira yokuisa vadzidzi mumapoka kuti vaite vose basa rapihwa nemurairidzi.
Vadzidzi vanogona kuiswa mumapoka evaviri, vatatu kana vanopfuura. Nyoni,
(2014) anoti vadzidzi vanogona kuiswa muzvikwata maererano nemagonero avo kuti
vafambe vose kamwechete kana kuti vanogona kusanganiswa kuti vagobatsirana
nekukurudzirana. Nzira iyi inoita kuti vadzidzi vanzwe vakasununguka kupa
mafungiro avo. Sezvanenge vachikurukurirana uye kuita basa rapihwa mumapoka,
mudzidzisi anogona kutenderera mumapoka achinzwa pfungwa dzavo uye
kugadzirisa apo vangadai vari kurasika. Mudzidzisi anofanira kutanga
anyatsotsanangurira vadzidzi basa ravo kuti nderei uye rinoitwa sei. Gondo, (2008)
anopa pfungwa yekuti mudzidzisi angwarire kusazopedza nguva yezvimwe zvidzidzo
sezvo kuti vadzidzi vapedze basa rapihwa uye kuzoriongorora kuchiti torei nguva.
Zvakakosha kuti kana vadzidzi vapedza basa ravapihwa mudzidzisi ozoumbiridza
pfungwa dzapihwa kukirasi yose. Somuenzaniso kana mudzidzisi apa vadzidzi basa
rekukara mifananidzo, anogona kuzoratidza vana zvakewo zvaaiita uye zvevamwe
vana vagona obva agadzirisa vaya vakundikana kunyatsoburitsa basa ravapihwa. Izvi
zvinoita kuti vaya vangadaro vatadza vachinyatsonzwisisa.
3
pfungwa iri kukurukurwa. Anowedzera kuti panofanira kuva nebasa rinozopiwa
vadzidzi nezveedzesero yavanenge vaita kuti zvinhu zvisangoperere pakuti vaita
mutambo wavo. Nzira iyi yakanakirawo kuti inoburitsa zvipo zviri muvana. Inoita kuti
vana vanofarira uye vanogona zvemitambo vaburitse unyanzvi hwavo zvoita kuti
mudzidzisi akwanise kuvasimudzira. Zvichida vadzidzi ivava ndivo vachazova vatambi
vakuru vemadhirama mune ramangwana. Nzira iyi yakanakirawo kuti vadzidzi
vanenge vachitoshangazhikawo muchidzidzo kwete kungogara vakateerera. Nzira
yeedzesero inoitawo kuti vana sezvavanoedzesera mumadhirama vaonewo kukosha
kwemabatiro avanoita vamwe uye kuti pavanobata vamwe zvisina kunaka vanonzwa
sei. Chesler naFox, (1966) vanoti mitambo inoita kuti vadzidzi vave nechivimbo uye
ushingi hwekumira pamberi pevamwe vana izvi zvinovabatsira kweupenyu.
Vanowedzera kuti mitambo yeedzesero inoita kuti vana vave vanhu vanorangarira
kubva pazera riduku.
4
zvakasiyana siyana. Kukoka nyanzvi kuchidzidzo kunoita kuti vadzidzi vave neumwe
muono wenyika yokunze musiri mukirasi.
Imwe nzira inoshandiswa kugovera ruzivo inzira yehurukuro. Nzira iyo inopa vadzidzi
mukana wekukweshana pachavo vachipanana pfungwa dzavo. Mudzidzisi anenge
achifamba achidzoredzera apo vanenge vave kurasika uye kupa jekeso pavangadai
vachirasika, ( Magwa, 2016). Pahurukuro vadzidzi vanodzidza kupanana mukana
kana mumwe achipa pfungwa yake uye kuremekedza mafungiro emumwe pamwe
nekumagashira nenzira inoita kuti azoda kupa imwezve pfungwa mune ramangwana.
Nzira iyi inoitawo kuti vadzidzi vave nyanzvi pakuita basa ravo vega pasina
mudzidzisi anenge achivatyaira mugotsi. Nzira yehurukuro inodzidzisa vadzidzi
kurongeka uye mushandirapamwe pazera ridiki chose.
5
Jerero
Chesler, M. and Fox, R. (1966). Role playing methods in the classroom. Chicago,
Science Research Associates.
6
Tadesse, S. (2016). Early Childhood Development- Basic Concepts. Baltimore,
Catholic Relief Services.