You are on page 1of 16

34567

Nhamba 2 2021

NYIKA ITSVA
YAVA PEDYO
Zviri kuitika munyika mazuva ano zvinoratidza
here kuti nyika yava kuguma? Kana yava
34567
Vol. 142, No. 6 2021 SHONA
kuguma, pane zvatingaita here kuti tizopona? Akaprindwa Ari: 74 210 000
Chii chichaitika kana yaguma? Nyaya dziri MUMITAURO 414

mumagazini ino dzinoratidza kuti mhinduro MAGAZINI INO yeNharireyomurindi, ino-


rumbidza Jehovha Mwari, Mutongi we-
dzeBhaibheri dzemibvunzo iyi dzingakunyaradza zvinhu zvese. Inonyaradza vanhu nema-
shoko akanaka ekuti Umambo hwaMwari
sei. huri kudenga, hwava pedyo nekugumisa
uipi hwese, hwochinja pasi rino kuti rive
paradhiso. Inokurudzira vanhu kuti vate-
nde muna Jesu Kristu, uyo akatifira kuti
tikwanise kuwana upenyu husingaperi
uye uyo ari kutonga iye zvino saMambo
weUmambo hwaMwari. Magazini ino ya-
gara ichibudiswa kubvira muna 1879
uye haisi yezvematongerwo enyika. Zva-
inotaura zvese zvinobva muBhaibheri.

The Watchtower (ISSN 0043-1087)


May/June 2021 is published by
ZVIRI MUKATI

Watchtower Bible and Tract Society of
New York, Inc.; Harold L. Corkern, President;
Mark L. Questell, Secretary-Treasurer;
1000 Red Mills Road, Wallkill, NY
3 Tinoda Nyika Yakanaka! 12589-3299, and printed by Watch Tower
 Bible and Tract Society of South Africa NPC,
1 Robert Broom Drive East, Rangeview,
4 Nyika Ino Ichaguma Here? Krugersdorp, 1739.
 ˘ 2021 Watch Tower Bible and Tract
Society of Pennsylvania.
7 Nyika Ichaguma Riini? Zvakataurwa naJesu Printed in South Africa.

YemuZIMBABWE:
10 Zvaungaita Kuti Uzorarama Munyika Itsva Jehovah’s Witnesses

Private Bag WG-5001
Westgate
13 Nyika Itsva Yava Pedyo! YemuMOZAMBIQUE:
 Jehovah’s Witnesses
CAIXA POSTAL 2600
16 Nyika Yava Pedyo Kuguma Here? 10101 Maputo

Kuti uwane kero dzedzimwewo nyika, enda
pawww.jw.org/sn/tinyorere.

s
Ungada kushanyirwa kana Enda pawebsite kana kuti tumira chikumbiro
kuita zvidzidzo zveBhaibheri yedu inonzi chako kune imwe yekero dziri
here? www.jw.org, pamusoro apa.

Magazini ino haitengeswi. Ndeimwe yemabhuku anoshandiswa pabasa rekudzidzisa Bhaibheri munyika yese uye
basa iri rinotsigirwa nezvipo. Magwaro ari mubhuku rino anobva muBhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva kunze
kwekunge pataurwa kuti pane pamwe paatorwa.
Tinoda Nyika
Yakanaka!
Mukuru mukuru weSangano Renyika Dzepasi
´
Rese, Antonio Guterres, akati: “Tiri kurarama
munyika yakazara nematambudziko.”
Haufungiwo kudaro here?

Munhau tinogara tichinzwa Izvi zvinoratidza kuti tinoda


nezvezvinhu zvinorwadza nyika yakanaka, nyika
zvinosanganisira: yekuti vanhu vanenge:

Zvirwere nematenda Vaine utano hwakanaka


Njodzi dzinongoitika dzega Vakagara zvakanaka vasina chekutya
Urombo nenzara Vaine zvekudya zvakawanda
Kusvibiswa kwenharaunda uye kusvibiswa Vachigara munharaunda yakanaka
kuri kuitwa mhepo, izvo zviri kukonzera uye yakachena
kuti kunze kuwedzere kupisa
Vachibatwa zvakanaka uye nyaya
Kuparwa kwemhosva, kurwisana, uye uori dzavo dzichitongwa zvakarurama
Hondo Vari murunyararo pasina kurwisana

Asi tiri kumborevei patiri kuti nyika Tingaitei kuti tizorarama


yakanaka? munyika yakanaka?
Magazini ino yeNharireyomurindi,
Chii chichaitika kunyika yatiri
ichatipa mhinduro dzinonyaradza
kurarama mairi? dzinobva muBhaibheri dzemibvunzo
iyi nemimwewo.

NHARIREYOMURINDI Nhamba 2 2021 3


Nyika Ino
Ichaguma
Here?

Zvimwe unoziva kuti Bhaibheri rinotaura


kuti nyika ichaguma. (1 Johani 2:17)
Rinenge richireva kuparara kwevanhu
vese here? Nyika nezvese zvinorarama
pairi zvichaparadzwa here?

MHINDURO YEBHAIBHERI KUMIBVUNZO


MIVIRI IYI NDEYEKUTI AIWA!

Z VAZ VI N O R E VA: Bhaibheri rinodzidzisa ku-


Chii Chisiri Kuzoguma?
ti nyika haifi yakaparadzwa uye vanhu vacha-
VAN H U
ramba vachigara pairi. Saka rinenge richire-
vei parinoti nyika ichaguma?
Zvinotaurwa neBhaibheri: Mwari ‘ha-
ana kungosikira nyika pasina, asi F U N GA I Z VI : Bhaibheri rinofananidza kugu-
akaiumba kuti igarwe.’ ma kuchaita nyika ino nezvakaitika mumazu-
—ISAYA 45:18. va aNoa. Panguva iyoyo ‘nyika yakanga yaza-
ra nekurwisana.’ (Genesisi 6:13) Asi Noa
aiva munhu akarurama. Saka Mwari aka-
NYI KA
muchengetedza nemhuri yake, asi akapara-
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Chimwe dza vanhu vakaipa achishandisa mafashamo.
chizvarwa chinoenda, uye chimwe Bhaibheri richitaura zvakaitika rinoti: “Nyika
yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafuki-
chizvarwa chinouya, asi nyika inora-
dzwa nemvura.” (2 Petro 3:6) Uku ndiko
mba iripo nekusingaperi.” kwaitova kuguma kwenyika panguva iyoyo.
—MUPARIDZI 1:4. Asi chii chakaparadzwa? Haisi nyika chaiyo
asi vanhu vakaipa vaiva panyika. Saka Bhai-
bheri parinotaura nezvekuguma kwenyika ri-
nenge risingarevi kuparadzwa kwenyika cha-
iyo chaiyo. Asi rinenge richireva kuparadzwa
kwevanhu vakaipa nemasangano avo.

4 NHARIREYOMURINDI Nhamba 2 2021


Z VAZ VI N O R E VA: Mafashamo emunguva ya-
Chii Chichaguma?
Noa haana kutsvaira zvachose zvinhu zvaka-
ipa zvaiva panyika. Pakapera Mafashamo,
Z VI N H U Z VE S E Z VAK AI PA
vanhu vakaipa vakatangazve kuita zvinhu
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kwa- zvaiita kuti vamwe vanhu vatambure. Asi
ngosara nguva diki, uye vakaipa Mwari ava pedyo kubvisa zvinhu zvese zva-
havazovipozve; uchatarisa pavaiva, kaipa. Ndizvo zvairehwa nemunyori wepi-
sarema paakati: “Vakaipa havazovipozve.”
asi vanenge vasisipo. Asi vanyoro
Mwari achabvisa zvinhu zvese zvakaipa achi-
vachagara nhaka yenyika, uye shandisa Umambo hwake. Umambo hwa-
vachafara zvikuru vaine rugare Mwari ihurumende iri kudenga ichatonga va-
rwakawanda.”—PISAREMA 37:10, 11. nhu vakarurama vanenge vari panyika.

F U N GA I Z VI : Vatungamiriri venyika vacha-


tsigira here Umambo hwaMwari? Bhaibheri
rinoratidza kuti havasi kuzohutsigira. Vacha-
topikisa Umambo hwaMwari. (Pisarema 2:2)
Zvichaguma nei? Umambo hwaMwari hu-
chaparadza hurumende dzese dziri panyika,
uye “ndihwo hwega hucharamba huripo ne-
kusingaperi.” (Dhanieri 2:44) Asi nei huru-
mende idzi dzichifanira kuparadzwa?

NHARIREYOMURINDI Nhamba 2 2021 5


Zvinotaurwa neBhaibheri: “Hazvisi
ZVATINODA—Kubviswa
kumunhu ari kufamba kuti aruramise
Kweutongi Hwevanhu
nhanho dzake.”—JEREMIYA 10:23.

Z VAZ VI N O R E VA: Vanhu havana kusikirwa nyika inenge ichiri kungotongwa nevanhu
kuti vazvitonge. Havakwanisi kutonga va- vane chivi vasingakwanisi kugadzirisa mata-
mwe vanhu kana kugadzirisa matambudziko mbudziko ataurwa. Umambo hwaMwari che-
avo. te, ndiyo hurumende ichakwanisa kugadziri-
sa zvachose matambudziko ari kusangana
F U N GA I Z VI : Rimwe bhuku rinonzi Britan- nevanhu.
nica Academic rinoti, zvinoita sekuti huru-
mende hadzisi kukwanisa “kupedza mata- Taona zvinorehwa neBhaibheri parinotau-
mbudziko akadai seurombo, nzara, zvirwere, ra nezvekuguma kwenyika. Saka vanhu vaka-
njodzi dzinongoitika dzega, hondo, kurwi- naka havafaniri kutya. Vanotofanira kufara
sana nezvimwewo.” Rinoenderera mberi ri- nekuti nyika ino yaora, ichatsiviwa nenyika
chiti: “Vamwe . . . vanofunga kuti kana hu- itsva yakanaka yaMwari!
rumende dzese panyika dzikabatana, pova
nehurumende imwe chete, hurumende iyo- Zvinhu izvi zvichaitika riini? Nyaya inote-
yo inogona kugadzirisa matambudziko aya.” vera icharatidza kuti Bhaibheri rinoti kudii.
Asi kunyange hurumende dzese dzikabatana,
Nyika
Ichaguma Riini?
Zvakataurwa naJesu

Munyaya yapfuura, tadzidza kuti Bhaibheri


parinotaura nezvekuguma kwenyika rinenge
risingarevi kuparara kwenyika chaiyo kana
kuti vanhu vese. Asi rinenge richireva kupa-
radzwa kwemasangano enyika ino nevese
vanoatsigira. Asi Bhaibheri rinotiudza here
kuti nyika ino yakaipa ichaguma riini?

IMBOONA ZVINHU ZVIVIRI ZVAKATAURWA


NAJESU NEZVEMUGUMO:

ZVAKATAURWA NAJESU KUTI ZVAIZOITIKA


“Saka rambai makarinda nekuti ha-
Zvinhu izvi ndizvo zvaizova chiratidzo che-
muzivi zuva racho kana nguva kuti “nyika yava kumagumo kwayo.” Jesu
yacho.”—MATEU 25:13. akati: “Rudzi ruchamukira rudzi uye uma-
mbo huchamukira umambo, uye kuchava
“Rambai makatarisa, rambai maka- nenzara nekudengenyeka kwenyika munzvi-
muka, nekuti hamuzivi kuti nguva mbo dzakawanda.” (Mateu 24:3, 7) Akata-
urawo kuti kwaizova “nematenda,” kureva
yacho ichasvika riini.”—MAKO 13:33.
zvirwere zvinopararira. (Ruka 21:11) Zvinhu
izvi zvakataurwa naJesu, uri kuzviona zvi-
Saka panyika hapana munhu anoziva kuti
chiitika here?
nyika ino ichaguma riini. Asi Mwari anoziva
‘zuva racho nenguva yacho.’ (Mateu 24:36) Mazuva ano, vanhu vakawanda vari kuta-
Izvi zvinoreva here kuti hatitombokwanisi mbura nehondo, nzara, kudengenyeka kwe-
kuziva kana mugumo wava pedyo? Aiwa. Je- nyika, nezvirwere. Semuenzaniso, muna
su akaudza vadzidzi vake kuti pane zvinhu 2004 muIndian Ocean makaitika kudenge-
zvaizoitika zvaizoratidza kuti mugumo wava nyeka kwenyika kwakaita kuti kuve netsu-
pedyo. nami yakauraya vanhu vanosvika 225 000.
Munguva inongoti pfuurei gore, chirwere
cheCOVID-19 chakauraya vanhu vanosvika
2, 6 miriyoni pasi rese. Jesu akati zvinhu izvi
zvaizoratidza kuti nyika yava pedyo kuguma.

NHARIREYOMURINDI Nhamba 2 2021 7


“MAZUVA EKUPEDZISIRA”
MuBhaibheri, “mazuva ekupedzisira” inguva
yekuti mugumo unenge wava pedyo kusvika.
(2 Petro 3:3, 4) 2 Timoti 3:1-5 inotaura kuti Hondo
mumazuva ekupedzisira vanhu vachange va-
Kubva muna 2007 kusvikira muna
va kunyanyisa kuita zvinhu zvakaipa. (Ona
2017 nhamba yevanhu vakaurayiwa
bhokisi rakanzi “Nyika Painenge Yava Pedyo
muhondo uye nemagandanga
Kuguma.”) Mazuva ano uri kuona here va-
yakawedzera zvakapetwa kaviri
nhu vanongofunga zvakavanakira, vane ma-
karo, vanotyisa uye vasina rudo? Zvinhu
izvi zvinongotiratidza kuti tava pedyo nemu-
gumo.

Mazuva ekupedzisira achange akareba zva-


kadii? Bhaibheri rinoti ingori “nguva pfupi.”
Kana nguva iyoyo yangopera, Mwari achabva
aparadza vaya “vari kuparadza nyika.”—Zva-
Zvirwere
kazarurwa 11:15-18; 12:12. Zvirwere zviri kunyanya kuuraya
vanhu vakawanda zvinosanganisira
zvirwere zvemwoyo, sitiroko,
zvirwere zvemapapu, kuberekwa
kwevana vakaremara, manyoka,
NYIKA PAINENGE YAVA PEDYO KUGUMA kenza, TB

“Mumazuva ekupedzisira, nguva dza-


kaoma, dzinonetsa kurarama madziri
dzichasvika. Nekuti vanhu vachava va-
Nzara
nozvida, vanoda mari, vanozvirumbi-
dza, vanozvikudza, vanomhura, vasi- Muna 2019, pavanhu 100 vega
vega, vanhu vanenge 9 havana
ngateereri vabereki, vasingaongi, vasi-
kuwana zvekudya zvakakwana uye
na kuvimbika, vasina rudo runongobva pavana 100 vari pasi pemakore 5,
rwega mumwoyo, vasingatombodi ku- vanenge 21 vavo havana kuwana
bvumirana, vanotaura zvenhema ne- zvekudya zvine utano uyewo havana
zvevamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, kunyatsokura zvakanaka
vasingadi zvakanaka, vatengesi, vaka-
oma musoro, vanozvitutumadza, vano-
da mafaro panzvimbo pekuda Mwari,
vanoita sekunge vanonamata Mwari Basa Rekuparidza
asi vasingaiti zvinoenderana nekuna- Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura
mata kwacho.” 8,4 miriyoni zviri kuparidza uye
kuparadzira mabhuku anotsanangura
—2 TIMOTI 3:1-5.
Bhaibheri mumitauro inopfuura 1 000
munyika 240
NYIKA ITSVA YAVA PEDYO!
Mwari akatosarudza zuva nenguva yaachapara-
dza nyika ino yakaipa. (Mateu 24:36) Asi pane
mashoko anofadza. Mwari “hapana waanoda ku-
ti aparadzwe.” (2 Petro 3:9) Ari kupa vanhu mu-
kana wekuti vadzidze nezvake uye vamuteerere.
Nemhaka yei? Nekuti anoda kuti tipone paacha-
paradza nyika, torarama munyika itsva inenge ya-
va paradhiso.
Mwari akaita urongwa hwekuti vanhu vadzidzi-
swe zvavanofanira kuita kana vachida kuzorara-
ma munyika itsva inenge ichitongwa neUmambo
hwake. Jesu akati mashoko akanaka eUmambo
hwaMwari aizoparidzwa “munyika yese.” (Mateu
24:14) Muna 2019, Zvapupu zvaJehovha pasi re-
se zvakaita maawa anopfuura 2 bhiriyoni vachi-
paridza nekudzidzisa vanhu Bhaibheri. Jesu aka-
ti basa iri rekuparidza raizofanira kuitwa pasi rese
mugumo usati wasvika.
Hurumende dzevanhu dzava pedyo kupara-
dzwa. Asi chinofadza ndechekuti, unogona ku-
pona pachaparadzwa nyika worarama munyika
inenge yava Paradhiso yakavimbiswa naMwari.
Nyaya inotevera ichataurawo zvaunofanira kuita
kuti uzoraramawo munyika itsva iyi.

Uprofita hwakataurwa naJesu


‘nezvemazuva ekupedzisira’
hunoita kuti tive netariro

9
Zvaungaita Kuti
Uzorarama Munyika Itsva

Munyaya dzapfuura, taona kuti Mwari ava KUTI UZOPONA UNOFANIRA ‘KUSVIKA
pedyo kubvisa vanhu vese vakaipa nemata- PAKUZIVA MWARI’
mbudziko ese avanokonzera. Tine chokwadi Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingape-
chekuti izvi zvichaitika. Nemhaka yei? Ne- ri, vanofanira kusvika pakukuzivai, imi Mwa-
kuti Shoko raMwari Bhaibheri rakavimbisa ri mumwe chete wechokwadi.” (Johani 17:3)
kuti: Kuti tizopona pachaparadzwa nyika, torara-
“Nyika iri kupfuura.” ma nekusingaperi tinofanira ‘kusvika pakuzi-
va Mwari.’ Izvi hazvingogumiri pakubvuma
—1 JOHANI 2:17.
kuti ariko kana kungoziva zvinhu zvishoma
Tine chokwadi chekuti pachava nevacha- nezvake. Asi tinofanira kuva neushamwari
pona nekuti vhesi iri pamusoro apa inovi- naye. Kana tichida kuti ushamwari hwedu
mbisawo kuti: nemumwe munhu husimbe, tinofanira ku-
zvipa nguva yekuti tinyatsozivana. Ndozva-
“Munhu anoita kuda kwaMwari ano- zvakaitawo neushamwari hwedu naMwari.
ramba aripo nekusingaperi.” Ona zvimwe zvinhu zvinokosha zvatinodzi-
dza muBhaibheri, zvinotibatsira kuti tive ne-
Saka kana tichida kupona, tinofanira kuita
ushamwari hwepedyo naMwari.
zvinodiwa naMwari. Kuti tizive zvaanoda, ti-
nofanira kutanga tamuziva.
Chokwadi Chatinodzidza muBhaibheri
Tinodzidza kuti Mwari aida kuti vanhu Tinodzidza kuti nei
vagare muParadhiso. tiri kutambura.
Akasika vanhu vekutanga Adhamu naEvha Kusateerera kwakaita Adhamu, kwakaita kuti iye
akavaisa munzvimbo yakanaka yainzi mu- nevanhu vese vaizoberekwa varasikirwe nemu-
nda weEdheni. Vakanga vasina chivi uye Mwa- kana wekurarama nekusingaperi. Bhaibheri rino-
ri akavapa zvese zvavaida kuti vanakidzwe ne- ti: “Chivi chakapinda munyika nemunhu mu-
upenyu. Vaigona kurarama nekusingaperi va- mwe chete uye rufu rwakapinda nechivi, rufu ru-
singafi chero bedzi vaizoramba vari shamwa- kabva rwapararira kuvanhu vese.” (VaRoma 5:12)
ri dzaMwari. Asi vakasarudza kusateerera mu- Kana mubereki aine chirwere, chirwere ichocho
rayiro wakanga usina kumbooma wavakapiwa chinogona kutapukirawo kumwana waanobereka.
naMwari. Ndozvazvakaitawo nechivi. Sezvo tese tiri vana
vaAdhamu, uyo akanga aine chivi, tinoberekwa-
wo tiine chivi. Chivi ichocho ndicho chinoita kuti
tizochembera, tofa.

Tinodzidza zvakatoitwa naMwari kuti Tinodzidza kuti tingaratidza sei kuti ti-
atibatsire. notenda zvatakaitirwa naMwari.
Bhaibheri rinoti: “Mwari akada nyika kwazvo Bhaibheri rinoti tinoratidza kuti tinotenda zva-
zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa takaitirwa naMwari ‘nekuchengeta mirayiro
ari mumwe oga, kuti munhu wese anotenda yake.’ (1 Johani 2:3) Tinoonawo rudo rwaJe-
maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husi- hovha, nekutiudza kwaanoita zvatingaita kuti ti-
ngaperi.” (Johani 3:16) Mwari akatuma Jesu pa- nakidzwe neupenyu iye zvino. (Isaya 48:17, 18,
nyika kuti atifire. Achitaura nezvekufirwa kwata- mashoko emuzasi) Mwari haadi kuti titambu-
kaitwa naJesu, mumwe murume wekuIndia ane re. Anotivimbisa kuti kana tikateerera mirayiro
makore 86 anonzi Prabhakar akati: “Zvinonya- yake, tichararama upenyu hwakanaka iye zvino
tsoratidza kuti Jehovha anondida zvikuru. Ru- tovawo netariro yekurarama nekusingaperi mu-
do rwake rwakaita kuti ndive netariro yekuzora- ne ramangwana.
rama nekusingaperi.”

1 Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.

11
Unogona kupona pachaguma
nyika kana ukanyengetera kuti
Mwari akubatsire uye ukaita
kuda kwake

VERENGA SHOKO RAMWARI, BHAIBHERI, “tizai upombwe.” (1 VaKorinde 6:18) Aka-


MAZUVA ESE nyengetera kuti Mwari amubatsire uye aka-
Kuti tirarame tinofanira kugara tichidya. Asi kwanisa kusiya mararamiro akaipa aaiita. Asi
Jesu akati: “Munhu haararami nechingwa achiri kufanira kuramba achirwisa miedzo.
chete, asi nemashoko ese anobuda mumuro- Anoti: “Kana pfungwa dzisina kuchena dzi-
mo maJehovha.”—Mateu 4:4. kangouya mandiri, ndinonyengetera ndichi-
nyatsoudza Jehovha zvese. Ndinoziva kuti
Mazuva ano, mashoko aJehovha tinoa- handingambokundi hondo iyi ndiri ndega.
wana muBhaibheri. Paunoridzidza, uchaona Munyengetero une simba, wandiswededza
zvakaitwa naMwari kare, zvaari kuita iye zvi- pedyo naJehovha.” Vanhu vakawanda vari
no uye zvaachaita mune ramangwana. kusvikawo pakuziva Mwari sezvakaita Saku-
ra. Mwari ari kuvapa simba rekuti vachinje
NYENGETERA KUTI MWARI AKUBATSIRE upenyu hwavo, vorarama upenyu hunomufa-
Ungaitei kana uchida kuita zvinodiwa na- dza.—VaFiripi 4:13.
Mwari, asi zvichikuomera kuti usiye zvinhu
Kana ukawedzera kuziva Mwari, uchawe-
zvaanoti zvakaipa? Kana zvakadaro zviri ku-
dzerawo ‘kuzivikanwa naye’ seshamwari yaa-
itika kwauri, kunyatsoziva Mwari kunogona
nokoshesa. (VaGaratiya 4:9; Pisarema 25:
kukubatsira kukunda dambudziko rako.
14) Izvozvo zvichaita kuti upone, wopinda
Inzwa zvakaitika kune mumwe mukadzi munyika itsva yaMwari. Asi nyika itsva iyoyo
watichati Sakura, uyo airarama upenyu hwe- ichange yakaita sei? Nyaya inotevera ichapi-
chipfambi. Paakatanga kudzidza Bhaibheri, ndura mubvunzo iwoyo.
akadzidza nezvemurayiro waMwari wekuti

12 NHARIREYOMURINDI Nhamba 2 2021


Nyika Itsva Yava
Pedyo!

Mwari akasika nyika kuti vanhu vakarurama Iye zvino nyika haisi Paradhiso sezvaidiwa
vagare pairi nekusingaperi. (Pisarema 37: naMwari. Asi Mwari haana kuchinja zvaaida.
29) Akaisa vanhu vekutanga, Adhamu na- Saka achaita sei kuti nyika ive Paradhiso?
Evha, mumunda wakanaka weEdheni, achi- Sezvataona munyaya dzapfuura, Mwari haa-
bva ati ivo nevana vavo vaurime nekuuche- si kuzoparadza nyika chaiyo chaiyo. Asi
ngeta.—Genesisi 1:28; 2:15. achaita kuti vanhu vakarurama vagare pairi.
Mwari paachazadzisa chinangwa chake,
upenyu huchange hwakaita sei panyika?

Hurumende imwe chete ichatonga Mamiriro ekunze akanaka, vanhu


nyika yese vachigarisana nemhuka
Munguva pfupi, hurumende yaMwari painenge Umambo hwaMwari pahuchatanga kutonga,
yava kutonga vanhu vese, panyika pachava ne- Musiki achaita kuti mamiriro ekunze agare aka-
mufaro vanhu vachigara vaine rugare, vachiita naka nguva dzese. (Pisarema 24:1, 2) Jesu pa-
basa rakanaka uye rinogutsa. Mwari akagadza aiva panyika, akaratidza simba raMwari neku-
Jesu Kristu kuti atonge panyika. Jesu akasiya- nyaradza kwaakaita dutu raiva nesimba. (Mako
na nevatungamiriri vepanyika, pakuti iye acha- 4:39, 41) Kana Jesu ava kutonga panenge pa-
ita zvakanakira vanhu vese. Utongi hwake hu- sisina zvekutyira kuti pangangoitika njodzi dzi-
change huchiratidza kuti ane rudo uye kuti noitika dzega. Kana Umambo hwaMwari hwava
ndiMambo ane mwoyo wakanaka, ane tsitsi uye kutonga vanhu vachagarisana nemhuka uyewo
anobata vanhu vese zvakaenzana.—Isaya 11:4. havazosvibisi nyika.—Hosiya 2:18.

Vanhu vese vachange vakabatana


Vanhu vanenge vava kugara panyika vachange
vakabatana, pasinei nekusiyana kwerudzi rwa-
vo kana kuti dzinza. (Zvakazarurwa 7:9, 10) Ve-
se vachange vachida Mwari uye vachidanana.
Uyewo vachashanda pamwe chete kuti vazadzi-
se chinangwa chaMwari chekuti nyika ive Para-
dhiso.—Pisarema 115:16.
Dzidzo yakanakisa kupfuura dzese
Bhaibheri rinoti: “Nyika ichazara nekuziva Je-
hovha.” (Isaya 11:9) Vanhu vachararama muPa-
radhiso vachadzidziswa neMusiki wavo Jeho-
vha, ane uchenjeri hwakadzama, uye vacha-
dzidzawo nezvezvinhu zvakanaka zvaakasi-
ka. Havazoshandisi ruzivo rwavo kugadzira zvo-
mbo kana kuti kuda kukuvadza vamwe. (Isa-
ya 2:4) Asi vachadzidza kuti vangagarisana sei
murunyararo, vachiita kuti nyika irambe yaka-
naka.—Pisarema 37:11.

Utano hwakanaka nezvekudya Upenyu husina magumo


zvakawanda
Mwari akashanda nesimba kugadzira nyika ku-
Munhu wese achange aine utano hwakanaka, ti ive yakanaka kuti tinakidzwe neupenyu zu-
pasina kurwara, kuchembera kana kufa. (Isaya va rega rega. Anoda kuti vanhu vararame pa-
35:5, 6) Vanhu vachange vachirarama munyika nyika nekusingaperi. (Pisarema 37:29; Isaya 45:
yakanaka, yakachena seyairaramwa naAdhamu 18) Kuti izvozvo zvizoitika, “achaparadza rufu
naEvha mumunda weEdheni. Sezvainge zvakai- zvachose.” (Isaya 25:8) Bhaibheri rinoti: “Hapa-
ta muEdheni, panyika pachava nezvekudya zva- zovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere
kawanda uye hapana achafa nenzara. (Genesisi kana kurwadziwa.” (Zvakazarurwa 21:4) Mwari
2:9) Sezvaingoita vanhu vaMwari vekare vaIsra- achapa vanhu vese vachapona paachaparadza
eri, vanhu vachange vari muParadhiso ‘vacha- nyika ino nevaya vachamutswa kubva kuvakafa
dya vachiguta.’—Revhitiko 26:4, 5. mukana wekurarama nekusingaperi.—Johani 5:
28, 29; Mabasa 24:15.
Vanhu vachagara murunyararo, pasina
chekutya
MuUmambo hwaMwari, vanhu vese vachagara
murunyararo, vachibatana zvakanaka. Kucha-
nge kusisina hondo, udzvinyiriri, uye hapana
achatamburira kuti awane zvekurarama nazvo.
Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Mumwe nemu-
mwe achagara pasi pemuzambiringa wake ne-
pasi pemuonde wake, uye hapana achaita kuti
vatye.”—Mika 4:3, 4.

Pekugara pakanaka uye basa rinogutsa


Mhuri imwe neimwe ichange iine musha wayo
vasingatyiri kuti vangazobviswa uye basa rati-
change tichiita richange richigutsa. Ndizvo zvi-
notaurwa neBhaibheri parinoti vaya vachagara
munyika itsva yaMwari “havazoshandi zvakao-
ma pasina.”—Isaya 65:21-23.
Gadzirira iye zvino
kuzorarama munyika
itsva yava pedyo

Mamiriyoni evanhu mazuva ano ari Dzidza kuti zvii zvaungaita kuti upone
kutogadzirira kuzorarama munyika pachaparadzwa nyika ino yakaipa wora-
itsva yava pedyo. Kunyange zvazvo vari rama munyika itsva yava pedyo kuuya.
vanhu vanokanganisa, vari kuedza ku- Kumbira kudzidza Bhaibheri nemumwe
rarama upenyu hunoenderana nezvino- weZvapupu zvaJehovha kana kuti ita
diwa naMwari kuvanhu vachararama zvidzidzo zveBhaibheri zviri paIndaneti
munyika yake itsva. Vari kuzviita sei? pajw.org.
Vari kudzidza nezvaJehovha Mwari na-
1 Zvidzidzo izvi zviri muChirungu.
Jesu Kristu waakatuma.—Johani 17:3.

15
NYIKA YAVA PEDYO
KUGUMA HERE?

Vanhu vakawanda vane


pavaifungidzira kuti nyika
ichaguma, asi haisati
yaguma! Saka nyika ichaguma
zvechokwadi here?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

˘ Nyika ichaguma sei?

˘ Ichaguma riini?

˘ Unokwanisa kupona here paichaguma?

˘ Upenyu huchange hwakaita sei pashure


pemugumo?

Zvinotaurwa neBhaibheri zviri mumagazini ino,


zvichakushamisa uye zvichakunyaradza.
Zvapupu zvaJehovha zvinoda chaizvo
kukubatsira kuti uzive chinangwa
chaMwari chaakasikira nyika.

MUTAURO 
NDITUMIREIWO BHUKU RINONZI
ZITA 
Rarama Nekusingaperi Uchifara
KERO 
Kuti udzidze zvakawanda nezveupenyu
hwakanaka hunovimbiswa naMwari, tanga 
kosi yeBhaibheri uchishandisa bhurocha Sarudza kero yaunoda kushandisa papeji 2. Kunyora kwandiri kuita
RARAMA
rino rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. fomu iri uye kuritumira kunoreva kuti ndiri kubvumira Zvapupu zva-
N E KUS I NGAPE R I
U C H I FA R A ! Rinowanikawo pawebsite yedu inonzi Jehovha kushandisa mashoko aya kuita zvandiri kukumbira maere-
Z V I D Z I D Z O Z V E K U TA N G A Z V E K O S I Y E B H A I B H E R I

rano nezviri muMutemo Wemachengeterwo Emashoko Emuridzi uri


www.jw.org
pajw.org.

s
Bhaibheri Enda pawebsite
n p
Unogona rinowanika yedu inonzi
wp21.2-CA

kudhaunirodha paIndaneti jw.org˙ kana


o
210429

magazini ino mumazana kuti shandisa QR


usingabhadhari emitauro code iyi

You might also like