You are on page 1of 5

1.

MAMIRIRO EMUVIRI

Tinogara pasi kuti tiite zviitwa izvi kana kuti tiite zvekunyaradza pfungwa kuti tibatsirike
pakupingudzaa pfungwa nekuwana runyararo rwemukati, asi tinganyatso zviita nenzira ipi ?
Chekutanga panezvose, nharaunda yatinenge tichitira yakakosha. Kune vachangotanga
kunyanya zvakanakisa kuedza kuwana nzvimbo yakanyarara, isina ruzha rwunokanganisa
sekutaura kana kuseka, asi ruzha rwemasikirwo ezvinhu semvura inoerera kana kuimba
kweshiri rwakanaka; kunyanya kana zvichitipa kunzwa kuzorora.

Kana tiri munzvimbo dzekumafura mhepo , zvakaita sekumaruwa nedzimwe nzvimbo


dzakanyarara dzakanaka. Zvakanyanya kunaka kugara pamusoro pechikomo chakakwirira
apo patinogona kuona kure. Kana kuti, kuve mumahombekombe enyanza yakadzikama
pasina zvinoti dzimaidza mumaziso edu, inzvimbo yakanaka zvekare. Kazhinji hatina mukana
wekuva panzvimbo dzakadaro,asi zvakadaro ngatiedze kutsvaga nzvimbo dzakanyararisa
dzatingagone kuwana.

Kana takagara mumba, imba yacho inofanira kuve yakasununguka kubva kune zvingati
kanganise, ichipinda mhepo mukati uye isina kumanikidzika. Mamiriro ekunze haafanire
kuve anotonhora zvokuti tinodedera kana kupisa zvokuti tinobatwa nehope uye kurukutika.
Nguva zhinji zviri nani kuti kutonhorere pane kuti kudziye zvakanyanya, kuti pfungwa dzive
dzakajeka.

Kana tichinge tawana nharaunda yakanakisa yekuitira zviitwa zvedu, zvakakosha kudzidzira
magariro akanaka. Magariro atinenge takaita anogona kuva anokanganisa pamanzwiro
emuviri wedu apo patinoita zvekunyaradza pfungwa uye nemuhupenyu hwedu hwemazuva
ose. Kana tikatarisa kuburikidza nemuono wevaripi vemuzvipatara, tinogona kuona kuti
muviri une tsinga hombe dzepamoyo nedzimwe dziki pamwe nenyama, chimwe nechimwe
chakabatanidzwa kunhengo dzemukati. Mumaitiro ekurapa ekuTibet nekuChina, nhengo idzi
dzinogona kuongororwa nekurapwa kuburikidza nekudzvanya nzvimbo dzinezvekuita
nenhengo idzi mumaoko, mumutsipa kana mutsoka. Izvi zvinodaro nekuda kwemwanza
dzinofambisa simba muviri wese.

Kana takagara pasi, kana tichinge takachenjerera kuti tisavhare mafambiro esimba iri, ipapo
rinogona kuerera zvakasununguka pasina kumbunyukidzika kwedu kana kukuvadzwa
komuviri wedu. Tinozviona sekudai, kana tsinga yerimwe gumbo yakavharwa, nokudaro
gumbo iroro rinoita chiveve. Zvakadarowo, patinenge takagara kuvharirwa kwemafambiro
esimba mumuviri zvinopa kusafaranuka uye manzwiro emuviri asina kuenzana.
Semuenzaniso, mamwe magariro kana marariro akaipa anogona kuti tinzwe sezvakanaka
pakutanga asi kwapera mazuva mashoma zvinogona kuti tizonzwa kusuruwara.

Zvimwe zvimiro zvakaipa, sekuva nemusoro wedu wakanyura pakati pemapendekete,


zvinogona kutipa kusuruwara pekutanga asi gare gare, kana chikamu chapera, mufaro
usingadzoreke unogona kuvepo. Pamberi apo, tabva kuita zviitwa tozoita hasha kuhama
neshamwari dzedu, nokudaro magariro kana marariro atanga takaita anogona aine
nechekuita nazvo.

Zvisinei, vamwe vanogona kusawirirana nazvo vosarudza nzira dzavo dzokugara nekuda
kwezvinorema zvinoitika muupenyu hwavo nezvavanozwa zvinomuka mavari,zvakaita
sekufara kana hasha. Asi tinemhando dzemanzwiro akanyanya akadai nechekare pasina
kuda kuagadzirisa zvakare. Saka mukuita zviitwa izvi tinoedza kugara nenzira iri pakati
nepakati inoita kuti tivetakagadzikana.

INSERT

PICTURE

Chokutanga pane zvose, zvakakosha, kana zvichikwanisika, kugara wakapfunya chisero.


Magariro ekupfunya chisero wakatibondokoto, imwe tsoka yakagara pachidya nerimwe riri
patsapfu nemagariro echisero chiri pakati nepakati imwe tsoka iripasi pechidya imwe yacho
iripasi pechimwe chidya zvakanakisa. Izvi zvakanaka nokuti zvinobatsira kuti munhu agare
kwenguva refu musana wakati twasu uyezve zvichibatsira kuti simba rifambe nemuviri zviri
nyore uye zvakasununguka. Zvisinei, kana tisingakwanise kugara magariro aya nechikonzero,
somuenzaniso, chedambudziko remakumbo kana kuomarara kwemuviri nekuda
kwekuchembera, hapana chikonzero chokuedza kuita zvinokuvadza makumbo edu. Kugara
wakapfunya chisero hazvina dambudziko kuvanhu vakawanda uye zvino nyatsogamuchirwa.
Zvisinei, tinogona kungogara pachigaro. Kana tiri vadiki, saizvozvo, uye tisina hurema izvi
zvinebasa kudzidza kuti togara sei magariro akasiyana ekupfunya chisero.

Kungava kugara chisero wakatibondokoto kana zviripakati nepakati , tinoisa gumbo


reruboshwe mukati negumbo rekurudyi kunze nguva dzose.Unotanga kupeta gumbo
rekuboshwe wotevera rekurudyi. Magariro echisero chakanaka, munhu anoisa tsoka
yeruboshwe nemupimbira pamusoro pechidya chekurudyi, zvekare oisa tsoka yekurudyi
nemupimbira pamusoro pechidya chekuruboshwe. Kana wakagara wakafpunya chisero Zviri
pakati nepakati, tsoka yekuruboshwe inodhonzerwa mukati chitsitsinho chakatarisa
kunotangira bhonzo remusana uye zvekare gumbo rekurudyi rinodhonzerwa mukati
chitsitsinho chakaiswa pamusoro pechimwe. Zvakadaro, yeuka, kunyatsoita wakachenjerera
kana paine dambudziko mukuita izvi. 18/09/22

Nekudaro tinofanira kuedza nepatinokwanisa napo kutwasanudza bonzo remusana wedu


kusvikira kumutsipa. Ichi chikonzero ndechekuti nhengo yoga yoga yemukati memuviri
inobatanidzwa netsinga yemusana.Zvakadaro kana musana wakombama kana kuti usiri
panzvimbo, zvinogona kukonzera marwadzo kana kusagadzikana kune dzimwe nhengo
dzemuviri. Kana takaswatanudza bonzo remusana wedu, simba redu rinofamba
zvakasununguka. Miviri yedu inofanira kuve wakaenzaniswa,mapendekekete akamira kuti
swatu, asi akazorora,asina kumanikidzirwa kuenda kumashure uye pasina rimwe rakakwirira
kupfuura rimwe.

INSERT

PICTURE

INSERT

PICTURE
Kuti tiswatanudze musana wogara wakaswatanuka tinofanira kushandisa chikusheni
chidiki chakasimba chine muero wema"inches"maviri kusvika mana mukukobvuka
nema"inches" anenge gumi nemaviri kusvika gumi nemana kukura (12-14inches),
zvichienderana nokuti ndeapi magariro akasununguka kwatiri. Kana takagara takapfunya
chisero tinofanira kushandisa chikusheni chakakwirira (kunge ma"inches" kana
zvakakodzera. Kana kupfunya gumbo rimwe kana maviri kuchikonzera tambanuka, tinogona
kugara magariro mamwe chetewo,asi makumbo akapesana zvakasununguka. Zvimwe
zvingakwanisika kuitwa, zvakatambanuka kune vamwe,kupfugama wakagamhwa
nekachigaro kadiki kakadzikira (dzimwe nguva zvinoshevedzwa kuti magariro eve
kuBurmese, makumbo akaiswa pasi pemutumbi) kana kubatsiridzwa nemakusheni mativi
ese zvokuti musana wakaringana nekutwasanuka.(Kufanana nesuwo muno tinevamwe
vanosunugukirwa nemagariro akadaro ekugarira makumbo pasina chituru kana makusheni).

Pane nzvimbo mbiri dzatinogona kuisa maoko edu. Tinogadzika zvanza zvedu pamabvi
magokora akaswatuka; kana kuti, tinogona kugadzika ruoko rwerudyi rwakavhurika
pamusoro peruoko rweruboshwe rwakavhurika nezvigunwe zvikuru zvakagumana, asi
zvisina kudzvanyana, uye nemaoko edu anenge akazorora pazasi peguvhu. Muchimiro
chechipiri, tinofanira kuedza kuti maoko edu asazorore pazasi kana pamusoro
zvakanyanya.Mutsipa unofanira kuve wakarereka kumberi zvishoma,uye chirebvu
chakapinda mukati.Muromo unofanira kuva wakashama zvishoma rurimi rwakagumha
kumusoro mumukanwa. Nenzira iyi tinogona kufema nemumuromo nemumhino pamwe
chete zvisinei kuti inzvimbo ipi chero yakatisunungukira.

Maziso edu anofanira kunge akatarisa mberi kupfuura pamusoro pemhino dzedu, kunge
centimeter nechidimbu kana maviri pamberi pedu (1,5–cm). Kune avo vachangotanga
zvingangodaro zvine uchenjeri kusatsinzinya.Zvisinei,tinogona kuvhara maziso kana tirikuita
zvekuona chimwe chinhu mumuono weziso repfungwa. Tinofanira kubvisa magirazi
toregedza kuringa nemaziso enzira yemugadzirirwa.

Izvi zvingaita sezvakaoma uye zvisina kutambanuka, asi zvakakosha kuti tiite nekugona
kwedu kwese, chero tisingazosvika pakuve tinozvisunga kana kuzvipa marwadzo akanyanya.
Kana uchiomerwa zvakanyanya mukugara nenzira iyi, kana kuti pane kusungikana
kwakanyanya, dzidziso nhatu dzekuzorora dziri pekutanga kwehurongwa dzinogona kuitwa
wakarara pasi nemusana – asi wakaisa pfungwa dzako dzese pamamiriro
emuzongoza,uchinyatsoona kuti wakatwasuka kusvikira paunokwanisa napo. Sezvinoitwa
mukugara, chirebvu chinofanirwa kuve chakapinda mukati zvishoma, zvokuti kabhuku
kadiki, kusheni kana gumbeze rakapetwa rinogona kuiswa pasi pemusoro, sezvakakodzera.
Kana uchinzwa marwadzo nechepazasi pemusana, zvakanaka kuisa chikusheni pasi pemabvi
kusvika naraunda yemusana iri pakati pembabvu nemabondo emuzvidya yatambanuka
zvakanaka. Zvisinei kana tajairira maitiro aya, uye ave nyore kuita, zvinenge zvakanakawo
kuaedza zvekare takagara chero mutowo upi watingakwanisa nawo ungave nyore.
INSERT

PICTURE

e)
Mamiriro emuviri akakosha. Nyaya haisi yekuti tiise muviri yedu mukati mechiumbwa
chakaomarara chisinga tsungukunuke kana kuisungirira necheni semusungwa. Kuita nenzira
yakatambanuka zviri nani. Semuenzaniso, tinogona kufunga nezvedonje. Rakaregedzera
nekutambanuka,asi panguva imwechete tushinda twese twakamira kamwe nekamwe
kakamira kega.Twakabatana asi nenzira yakaregedzera. Sezvimwechetezvo, mamiriro edu
anofanira kuve akaenzana: asina kunyanyo regedzera kana kusungikana. Nekuramba
tichidzokorora kuzviita, izvi zvinobatsira pfungwa dzedu kuti dzive dzakaringana zvekare.

Mubvunzo:Sei vanhu vachisarudza magariro ekupfunya chisero pane ekupfugama tiine


rutsigiro rwechigaro kana chikusheni?
Rinpoche:Kazhinji kacho, kupfunya chisero kune batsiro rwakanyanya kupfungwa,asi kune
avo vasingagone kugara nenzira iyoyo kupfugama chokwadi hakungakanganise.

Mubvunzo:Saka kana makumbo akaoma uye mabvi akamira mudenga kana takapfunya
chisero, toramba here tichivavarira kuedza kugara nenzira iyi? Kana zviri izvo, nderipi zano
ramungagone kupa rinoita kuti zviite nyore kuti tigare chaizvo?
Rinpoche: Hongu, zvinobatsira kuedza zvishoma kuita zvidzidzo zvinotasanura muviri kuitira
tive nemagariro akakodzera. Vanhu vakasiyana vane matambudziko akasiyana- siyana
pamusoro penyaya iyi, asi kazhinji kutasanura muviri nedzimwewo mhado dzinosunungura
muviri dzikaitwa nguva nenguva -zvinogona kubatsira, uye zvekare kutova kana kutsava
muviri nguva nenguva. Chinhu chakakosha ndechekusaedza kuita nesimba rakanyanyisa,
kwete kumanikidzira chero chinhu.

Mubvunzo:Rinpoche, unonzwawo here zviri saizvo kuti, sevanhu veku madokero,mushure


mezvizvarwa zv akawanda tajairira kushandisa zvigaro?TCB
Rinponche: Handingazive chaizvoizvo. Zvimwewo mucherechedzo wekusagadzikana,
wekuve negadziriro chero pane ipi nguva yekusimuka uye kuenda kune imwe nzvimbo. Kana
kuti hungangova husimbe - kana uri pekati nepakati pekumira nekugara haungade simba
zhinji rekusimuka kana kugara pasi. Asi ndiri kungofungidzira.TCB 5/04/22

Mubvunzo:Ndinoona zvirinyore kugara ndakapfunya chisero kana gumbo rangu rekurudyi


rakaiswa pasi pegumbo rekuruboshwe, pane kuti rekuruboshwe rive pasi perekurudyi. Izvi
zvakanaka here?tcb
Rinpoche:Zvinonyanya kuenderana nekuti uchaenderera kusvikira papi nekurapwa: kana
kuri kurapwa kwemuviri chete hazvina kunyanya kukosha:asi kana chinangwa chiri chekuita
zvekunyaradza pfungwa zvekare, naizvozvo zvinogona kuva nebasa chaizvo kuti tiedze uye
kudzidza nenzira yakatarwa. Kunyangwe hazvo kumavambo zvisina basa chaizvo,
kakutsungirira kashoma iye zvino kunogona kuve nerubatsiro rwakanyanya munguva
inotevera.

:Sei vanhu vane mifananidzo yakapiwa dzimwe nguva vasina kugara sezvinodiwa?
Rinponche Mubvunzo:Izvi hazvirevi kuti magariro edu anofanira kuva asina kunaka.
Tinofanira kuedza nepatinogona napo pose, tichive nechokwadi kuti musana wedu
wakatwasuka, zvekare tisina kurerekera kurudyi kana ruboshwe, kana kurerekera
kumashure kana kumberi. Zvisinei, vanhu vese vakasiyana uye chinhu chakakosha
ndechekuita zvakanakisa nepatinogona napo.

Mubvunzo:Sei tisingagone kuvanezvanza zvedu zvakatarisa mudenga pamabvi edu kana


tichiita zvekunyaradza fungwa?
Rinponche:Kana wakagara nemaoko ako akadaro, uri kukwezva simba uye simba
rinomanikidza kubva kunze (uye nechikonzero ichi zvokanganisa).

Mubvunzo:Ndine chido kugara ndakapfunya chisero chizere - ndoendera mberi sei?


Rinponche: Unogona kushandisa dzidziso dzemuviri dzakatsaukana kuti muviri wedu uve
wakareruka. Zvisinei, chinhu chakanyanya kukosha kuita zvishoma nezvishoma. Kana
zvimiro pakutanga,gara chete mazviri kwenguva duku pakutanga kuti tisaomesera muviri.
Tikasadaro kukwanisa kugara takapfunya chiserokunokanganiswa.

You might also like