Professional Documents
Culture Documents
MAMIRIRO EMUVIRI
Tinogara pasi kuti tiite zviitwa izvi kana kuti tiite zvekunyaradza pfungwa kuti tibatsirike
pakupingudzaa pfungwa nekuwana runyararo rwemukati, asi tinganyatso zviita nenzira ipi ?
Chekutanga panezvose, nharaunda yatinenge tichitira yakakosha. Kune vachangotanga
kunyanya zvakanakisa kuedza kuwana nzvimbo yakanyarara, isina ruzha rwunokanganisa
sekutaura kana kuseka, asi ruzha rwemasikirwo ezvinhu semvura inoerera kana kuimba
kweshiri rwakanaka; kunyanya kana zvichitipa kunzwa kuzorora.
Kana takagara mumba, imba yacho inofanira kuve yakasununguka kubva kune zvingati
kanganise, ichipinda mhepo mukati uye isina kumanikidzika. Mamiriro ekunze haafanire
kuve anotonhora zvokuti tinodedera kana kupisa zvokuti tinobatwa nehope uye kurukutika.
Nguva zhinji zviri nani kuti kutonhorere pane kuti kudziye zvakanyanya, kuti pfungwa dzive
dzakajeka.
Kana tichinge tawana nharaunda yakanakisa yekuitira zviitwa zvedu, zvakakosha kudzidzira
magariro akanaka. Magariro atinenge takaita anogona kuva anokanganisa pamanzwiro
emuviri wedu apo patinoita zvekunyaradza pfungwa uye nemuhupenyu hwedu hwemazuva
ose. Kana tikatarisa kuburikidza nemuono wevaripi vemuzvipatara, tinogona kuona kuti
muviri une tsinga hombe dzepamoyo nedzimwe dziki pamwe nenyama, chimwe nechimwe
chakabatanidzwa kunhengo dzemukati. Mumaitiro ekurapa ekuTibet nekuChina, nhengo idzi
dzinogona kuongororwa nekurapwa kuburikidza nekudzvanya nzvimbo dzinezvekuita
nenhengo idzi mumaoko, mumutsipa kana mutsoka. Izvi zvinodaro nekuda kwemwanza
dzinofambisa simba muviri wese.
Kana takagara pasi, kana tichinge takachenjerera kuti tisavhare mafambiro esimba iri, ipapo
rinogona kuerera zvakasununguka pasina kumbunyukidzika kwedu kana kukuvadzwa
komuviri wedu. Tinozviona sekudai, kana tsinga yerimwe gumbo yakavharwa, nokudaro
gumbo iroro rinoita chiveve. Zvakadarowo, patinenge takagara kuvharirwa kwemafambiro
esimba mumuviri zvinopa kusafaranuka uye manzwiro emuviri asina kuenzana.
Semuenzaniso, mamwe magariro kana marariro akaipa anogona kuti tinzwe sezvakanaka
pakutanga asi kwapera mazuva mashoma zvinogona kuti tizonzwa kusuruwara.
Zvisinei, vamwe vanogona kusawirirana nazvo vosarudza nzira dzavo dzokugara nekuda
kwezvinorema zvinoitika muupenyu hwavo nezvavanozwa zvinomuka mavari,zvakaita
sekufara kana hasha. Asi tinemhando dzemanzwiro akanyanya akadai nechekare pasina
kuda kuagadzirisa zvakare. Saka mukuita zviitwa izvi tinoedza kugara nenzira iri pakati
nepakati inoita kuti tivetakagadzikana.
INSERT
PICTURE
INSERT
PICTURE
INSERT
PICTURE
Kuti tiswatanudze musana wogara wakaswatanuka tinofanira kushandisa chikusheni
chidiki chakasimba chine muero wema"inches"maviri kusvika mana mukukobvuka
nema"inches" anenge gumi nemaviri kusvika gumi nemana kukura (12-14inches),
zvichienderana nokuti ndeapi magariro akasununguka kwatiri. Kana takagara takapfunya
chisero tinofanira kushandisa chikusheni chakakwirira (kunge ma"inches" kana
zvakakodzera. Kana kupfunya gumbo rimwe kana maviri kuchikonzera tambanuka, tinogona
kugara magariro mamwe chetewo,asi makumbo akapesana zvakasununguka. Zvimwe
zvingakwanisika kuitwa, zvakatambanuka kune vamwe,kupfugama wakagamhwa
nekachigaro kadiki kakadzikira (dzimwe nguva zvinoshevedzwa kuti magariro eve
kuBurmese, makumbo akaiswa pasi pemutumbi) kana kubatsiridzwa nemakusheni mativi
ese zvokuti musana wakaringana nekutwasanuka.(Kufanana nesuwo muno tinevamwe
vanosunugukirwa nemagariro akadaro ekugarira makumbo pasina chituru kana makusheni).
Pane nzvimbo mbiri dzatinogona kuisa maoko edu. Tinogadzika zvanza zvedu pamabvi
magokora akaswatuka; kana kuti, tinogona kugadzika ruoko rwerudyi rwakavhurika
pamusoro peruoko rweruboshwe rwakavhurika nezvigunwe zvikuru zvakagumana, asi
zvisina kudzvanyana, uye nemaoko edu anenge akazorora pazasi peguvhu. Muchimiro
chechipiri, tinofanira kuedza kuti maoko edu asazorore pazasi kana pamusoro
zvakanyanya.Mutsipa unofanira kuve wakarereka kumberi zvishoma,uye chirebvu
chakapinda mukati.Muromo unofanira kuva wakashama zvishoma rurimi rwakagumha
kumusoro mumukanwa. Nenzira iyi tinogona kufema nemumuromo nemumhino pamwe
chete zvisinei kuti inzvimbo ipi chero yakatisunungukira.
Maziso edu anofanira kunge akatarisa mberi kupfuura pamusoro pemhino dzedu, kunge
centimeter nechidimbu kana maviri pamberi pedu (1,5–cm). Kune avo vachangotanga
zvingangodaro zvine uchenjeri kusatsinzinya.Zvisinei,tinogona kuvhara maziso kana tirikuita
zvekuona chimwe chinhu mumuono weziso repfungwa. Tinofanira kubvisa magirazi
toregedza kuringa nemaziso enzira yemugadzirirwa.
Izvi zvingaita sezvakaoma uye zvisina kutambanuka, asi zvakakosha kuti tiite nekugona
kwedu kwese, chero tisingazosvika pakuve tinozvisunga kana kuzvipa marwadzo akanyanya.
Kana uchiomerwa zvakanyanya mukugara nenzira iyi, kana kuti pane kusungikana
kwakanyanya, dzidziso nhatu dzekuzorora dziri pekutanga kwehurongwa dzinogona kuitwa
wakarara pasi nemusana – asi wakaisa pfungwa dzako dzese pamamiriro
emuzongoza,uchinyatsoona kuti wakatwasuka kusvikira paunokwanisa napo. Sezvinoitwa
mukugara, chirebvu chinofanirwa kuve chakapinda mukati zvishoma, zvokuti kabhuku
kadiki, kusheni kana gumbeze rakapetwa rinogona kuiswa pasi pemusoro, sezvakakodzera.
Kana uchinzwa marwadzo nechepazasi pemusana, zvakanaka kuisa chikusheni pasi pemabvi
kusvika naraunda yemusana iri pakati pembabvu nemabondo emuzvidya yatambanuka
zvakanaka. Zvisinei kana tajairira maitiro aya, uye ave nyore kuita, zvinenge zvakanakawo
kuaedza zvekare takagara chero mutowo upi watingakwanisa nawo ungave nyore.
INSERT
PICTURE
e)
Mamiriro emuviri akakosha. Nyaya haisi yekuti tiise muviri yedu mukati mechiumbwa
chakaomarara chisinga tsungukunuke kana kuisungirira necheni semusungwa. Kuita nenzira
yakatambanuka zviri nani. Semuenzaniso, tinogona kufunga nezvedonje. Rakaregedzera
nekutambanuka,asi panguva imwechete tushinda twese twakamira kamwe nekamwe
kakamira kega.Twakabatana asi nenzira yakaregedzera. Sezvimwechetezvo, mamiriro edu
anofanira kuve akaenzana: asina kunyanyo regedzera kana kusungikana. Nekuramba
tichidzokorora kuzviita, izvi zvinobatsira pfungwa dzedu kuti dzive dzakaringana zvekare.
Mubvunzo:Saka kana makumbo akaoma uye mabvi akamira mudenga kana takapfunya
chisero, toramba here tichivavarira kuedza kugara nenzira iyi? Kana zviri izvo, nderipi zano
ramungagone kupa rinoita kuti zviite nyore kuti tigare chaizvo?
Rinpoche: Hongu, zvinobatsira kuedza zvishoma kuita zvidzidzo zvinotasanura muviri kuitira
tive nemagariro akakodzera. Vanhu vakasiyana vane matambudziko akasiyana- siyana
pamusoro penyaya iyi, asi kazhinji kutasanura muviri nedzimwewo mhado dzinosunungura
muviri dzikaitwa nguva nenguva -zvinogona kubatsira, uye zvekare kutova kana kutsava
muviri nguva nenguva. Chinhu chakakosha ndechekusaedza kuita nesimba rakanyanyisa,
kwete kumanikidzira chero chinhu.
:Sei vanhu vane mifananidzo yakapiwa dzimwe nguva vasina kugara sezvinodiwa?
Rinponche Mubvunzo:Izvi hazvirevi kuti magariro edu anofanira kuva asina kunaka.
Tinofanira kuedza nepatinogona napo pose, tichive nechokwadi kuti musana wedu
wakatwasuka, zvekare tisina kurerekera kurudyi kana ruboshwe, kana kurerekera
kumashure kana kumberi. Zvisinei, vanhu vese vakasiyana uye chinhu chakakosha
ndechekuita zvakanakisa nepatinogona napo.