You are on page 1of 4

VAKADZI VEKWEDU (Nyaya pfupi yakanyorwa naAbraham Makamera.

)
Kufahandirambi aiziva kuti parufu rwake hama neshamwari dzaizoungana dzichimuchema.
Nokudaro akanga akagadzirira nezvenguva iyi. Aisada kuti pazobuda shoko rokuti ainga asina
kurongeka muupenyu hwake. Gadziriro yake yezuva rokufa yainga yakati tsepete semhasa
yenhokwe. Iye pachake aiti akaicherechedza aitendeseka kuti hakuna shoko raizotaurwa parufu
rwake raisiya rasvibisa zita rokuti Kufahandirambi. Izvi akafara nazvo, asi pane chinhu chimwe
chaakanga atadza kugadzirira. Ichochi chaiva chokusunga miromo yavanhu kuti isazotaura
zvakavanzika zvoupenyu hwake kana iye uchinge wakundwa nerufu. Izvozvi zvakaita kuti
vakadzi venzveura vamushoropodze pamwechete nedzinza rake. Hapana kana chimwe zvacho
chakanyenyeredzwa kutaurwa musi wacho. Pane dzimwe nguva vakadzi venzveura vaiedzesera
zvaiitwa naKufahandirambi achiri mupenyu. Zvaiti kusuwisa zvigoti kutyora vanhu mbabvu
nekusekesa.

“Ndini Kufahandirambi mwana waJekiseni. Ndinorira semusic weZimdancehall. Bata bhotoro iri
nditsvagire mukoma dhora rokuti vatenge doro.” Mai Jerina, mai vaitungamira chikwata
chenzveura vakadaro vachisvika paiva naJonas, mukoma waKufahandirambi. Pavaitaura kudaro
vaigashidza Ratidzai, mumvana waKubvoruno bhotoro redoro ravainga vakabata. Ruoko
rwerudyi rwakati nyengu muhomwe yebhachi resutu ravainga vakapfeka ndokubuda rwabata
dhora rimwe remari yokuAmerica. Dhora racho rakatambanudzirwa kuna Jonas, asi Jonas
wakaramba wangoti ndee usingadi kutora dhora riya.

“Mukoma gashirai dhora iri mutenge koti. Zveuno Harare zvinoperera uno. Zvamurimi
musengane nazvo kudzira Bikita kuna mainini venyu iyo. Mukangodaro chete, o, ndinopika
naJekiseni wakavata mujinga megomo, maiguru ndinovaudza kuti uno Harare kune munun'una
waSuzana.” Mai Jerina vakadarozve. Jonas wakavhunduka nemashoko avo. Hana ikagoti pangu
pangu ichisiya tuziya tuchiti sina sina mubaravara iro raipenya pese paraisangana nezuva.

“Wavhundukaka? Maiti zvamunoita Harareyo hazvisviki Bikita uno kayi? Iwe waisiya
Kufahandirambi achidya nokumwa nepfambi dzeHarare waiti zvinoguma nepi? Mubairo wazvo
ndiwoyu, hezvo didinya waenda. Tipe zvedu nzveura yedu titsvage ndari isu vanambuya
vaBetina.” Imwe mai yechikuru yaiva pakati pemadzimai enzveura yakadaro ichitambanudzira
kandiro kokuti Jonas akande mari yenzveura imomo.

Jonas wakazama kunzvenga nyaya yenzveura yaiva mudariro uchiti, “Munoda mari kubva
kunani? Hamuoni here kuti ndiri pakuchema? Izvozvi honai ndini ndega ndasara pavanakomana
vashanu vaJekiseni. Hamundinzwirewo tsitsi makaita sei chaizvo? Kana uri sewe zvako mukadzi
waPanganai ungadai watoita zvokugara padivi pangu uchindipukuta misodzi. Hauoni kuti
unenga watobatsirawo nherera imwe yaJekiseni yasara yega pano?” Mashoko ake akatowedzera
manyemwe amai Jerina. Vakati vomupindura. Jonas wakakungura chaainga avadenherawo.

“Hehede seka zvako mwana womuera Ngara. Iyeni mukadzi waPanganai ndini waungati ndigare
pedo newe kuti zvanyanyoita seiko? Ko, iye Panganai wamushoorei? Unoti haugoni
kundichengeta kayi sezvaunoita Mai Suzana iwe? Ini ndinochengetwa zvokuchengetwa zviya.
Usaona matama kukura kudai ukati kurumwa namago. Mabasa aPanganayi ese iwawa. Murume
unochengeta uya kwete zvako zvokusiya Mai Suzana nemwana vachidya nhoko dzezvironda
Bikita uno. Iwe wakanditarisa izvozvi ungandienzanisa naMai Suzana yere pandakati tumbi
pano? Tendawo kuti ndiri bhiza chairo Jonas. Handiti ndizvo zvoita kuti uchemere kugara pedo
neni kudai? Unoti ndianiwo murume ungangonditarisa ukasatorwa mwoyo nezvandiri zvino?”
ipapo vaiti vakamboti tendeu vachifuratira Jonasi. Vakazviti zu zu zu sezviya zvinoita imbwa
yabuda mumvura.
Mbuya vaBetina vakabva vabata Mai Jerina muromo vachiri pakati pekutaura vachiti, “Ipo
pakuti unochengetwa haunyepi Mai Jerina. Panganayi unokuchengeta zvatinoyemura tese
mumusha uno. Dai ukasazofurirwa nairo zimwana raJekiseni rasara irori. Rinongoti zibaravara
rinenga guyo raMutekede. Kanda faifi dhora umu. Isu ndisu vausingadi kuti tidye mari yako kuti
zvaita sei? Pfambi dzeHarare iyo unodzipereka nechikwama chese wani. Kana waramba nemari
yako kubva ndava kutora bhachi riri muchiunu iroro zvimwe ndingawana chokupfeka chando
chino.” Mbuya vaBetina vakati kota vachiti vasunungure bhachi rainga rakasungirirwa muchiunu
naJonas. Iye Jonas wakaziva kuti vakadzi venzveura vaisazobva paari kana asati avapa mari
yavaida. Naizvozvo wakapinza ruoko muhomwe chimbi chimbi ndokubudisa gumi remadhora
remari yokuAmerica.
Wakachiti, “Apa munondipaiwo change vakadzi imi, zvimwe ndingawana mari yokudzokesa
Harare iyo.”
Zvikanzi namai Jerina “Ho-o, isu ndisu vokudzorera change nhai? Pfambi dzeHarare
dzinosikudzosera change yere paunosidzipa mari paya? Iyo faifi dhorasi yaunoda kuti
tikudzosere iyoyo ndinoda kutoipa Mai Susana zvimwe vangawana mari yechigayo. Iye uyo ari
apo rega nditomupa uchiona unozoti vakadzi vaya vakadya mari yangu yese.” Mai Jerina
vakanga vaona Mai Suzana vachimirizika vari kuchoto kwaibikirwa sadza. Mai Suzana
vakadanwa ndokuuya. Ipapo pakataurwa zvakawanda. Jonas wakaramba uchingotukwa
nepamberi pomukadzi wake. Navowo Mai Suzana vakananavirwa nawo mashoko evakadzi
venzveura. Murume nemukadzi vakakutsiramwa.

“Newe Mai Suzana usapfeka sezvinonzi uri chembere wanzwa. Chokwadi ungakundwa neni
mbuya vaBetina kupfeka hausvodi yere. Nyangwe iye Jonas watiri kushoora pano uyu unoti
angamirira zvakadarozvo? Handiti anotomhanyira kune vanogona kupfeka kupinda iwe.
Musadaro mhani mainini. Zera renyu richiri doko iri zvokuti mungapfeka sechembere yachena
musoro.” Mbuya vaBetina vakatsiura mai Suzana vachidaro.
Ivo Mai Suzana ndokupindura vachiti, “Handiti kugona kupfeka hunga une nguwo dzacho yere
nhai vakoma? Zvino ini ndingazogona kupfeka sei idzo nguwo dzangu dziri dzokukururirwa
nevamwe? Iro dhirezi randakapfeka rino handiti ndakaripuhwa navatete Tecla pavakauya
kunhamo yambuya paya. Zvino chifungai kusiyana kwemituru yedu, vatete vakobvu, iniwo ndiri
rushanga zvarwo. Hamuoni izvozvi ndinotoita sendakapfeka mugoo chaiwo?” Izwi ravo
raidudza kurwadziwa kwaibva pakatikati pemwoyo wavo.
Mai Suzana vaiti vakarangarira mazuva avo vachiri mhandara vaikungura chavainga
vakabvumira kuroorwa naJonas. Kare kavo vaiva mhenya, shongarurako yomusikana. Majaya
mazhinji akambokanda shoko vachiri mhandara, asi vairamba zvokuti vazhinji vavo
vakapedzisira vozesa kuramba vachidzokera kwavari. Mai Suzana vaituka zvaibaya mwoyo.
Chero iye Jonas kudiwa kwaakazoitwa kwakatomushupawo. Iye pachake wainga wakanda shoko
zvekuedza noto chete. Izvi zvakamutuma kufunga kuti nayowo tsvarakadenga iyi yaiva
mudambe saiye nyamba yairevesa nemoyo wese. Chimwe chakaita kuti Jonas ufunge saizvozvo
musiyano waimbova pakati pemhuri dzavo vari vaviri. Vabereki vaMai Suzana, vaiva vanhu
vakabudirira zvikuru uye vaiwana kudarika mhuri yekwaJekiseni. Izvozvo zvakatomboita kuti
Jonas umboshanda semufudzi wemombe pamusha pavabereki vaMai Suzana. Mazuva iwayo
Mai Suzana vakanga vachiri kuchikoro vachiita gwaro refomu yechitatu paPamushana apo
pavaidzidza vachigara ipapo.
Mazuva ashanda Jonas iwayo kwaiva kutsiva mari yakanga yakweretwa nevabereki vake yokuti
anyore bvunzo dzefomu yechina chero zvazvo iye akazoramba kunyora achiti kwaiva kutambisa
nguva yake. Jonas wakazobva pamusha paya ondogara kumadzisekuru ake kwaGutu. Apo neapo
waipota uchidzokera kuvabereki vake kuBikita. Nerimwe zuva uchishanyira vabereki vake
kudaro, wakasangana naMai Suzana avo vainga vakamirira goho rebvunzo dzavo dzefomu
yenhanhatu. Mazuva iwayo vabereki vese vaMai Suzana vakanga vatsamira churu mushure
mokunga vaita tsaona vachibva vafira ipapo. Zvinhu zvakabva zvashandukawo kuvana
vavakasiya. Hama dzababa vaMai Suzana dzakabvutidzana pfuma yakanga yasiiwa
nevashakabvu pasina kana chii zvacho chakasiirwa vana. Iye Mai Suzana ndiye akasara otora
chinzvimbo chaamai chokuriritira vanun'una vake vaviri. Izvi zvaisava nyore. Nhamo
yokushuzhira vanun'una vake zvokudya nezvokupfeka yakamuonesa chitsvuku. Iyoyo nhamo
yaaisangana nayo ndiyo yakaita kuti asazeza kubudiswa munhanga naJonas. Aifunga kuti uku
ndiko kwaive kuguma kwokutambura kwake sezvo aiti zvaizomuitira nyore kuriritira vanun'una
vake ari pamurume. Zvechokwadiwo mazuva ekutanga Mai Suzana vakambopura nyemba
nemusana. Jonas wairikicha uchichengeta mudzimai zvese nevaramu vake zvaiyemurwa
nedunhu rese.
Nekufamba kwenguva Jonas wakazotorwa nemadzisekuru ake kuenda Harare kuti
umbondoshavira mhuri uri kuchirungu. Mazuva ekutanga zvinhu zvakamboramba zviri mugwara
Jonas uchitumira zvokudya nezvekupfeka kumukadzi wake. Izvi zvakayemurwazve nenharaunda
yese. Mutanga wakazopinda mvura mushure mokunga Jonas wava kuroja wega. Tsika
dzaisiyemurwa dziya dzakanga dzava nemaburi maburi. Netsambawo dzaisigashirwa naMai
Suzana dzichibva kunaJonas dzakanga dzakuva semichero yechirimo. Iye Jonas wakanga
wakundwa nechirungu ndokuita bete rawira mumukaka. Mai Suzana naSuzana vakanga
vachafungwa nani. Tecla hanzvanzi yaJonas, ndiyo yaitombopota ichitorera Jonas mari yotumira
kumusha kuti Mai Suzana vabatsirike nemwana. Dai zvisizvo Mai Suzana vangadai vakasenga
twavo vachidzokera kumba kwevabereki vavo. Zvino kamari nezvigirosari zvaitumirwa izvozvo
zvakaita kuti mukadzi urambe wakagarira kuuya kwemurume wake uyo wakazouya nekufa
kwomunun'una wake Kufahandirambi.

“Zvigume nhasi iwe Jonas zvokuti ukaenda Harareyo wondoti ny'any'any'a uchikanganwa kuti
uno une mukadzi nemwana. Unoti unenga uchichengetwa nani uno zvausingaisi tushunga
nekamari kechigayo pabhazi? Musadaro mhani vakomana imi. Munodarireiko kutukisa Jekiseni
akazvivatira zvake mujinga megomo umo. Handiti vanhu vanenga vachingoti Jekiseni
wakazvara mapenzi ega ega. Pagadzirise ipapo Jonas.” Mbuya vaBetina vakadaro. Mai Jerina
ndokuwedzerawo avo mashoko pamusoro peiwawo vachiti, “Munogotaura zveshuga chete sei
vakoma? Ko, idzo nguwo hadzidihwi kayi? Izvozvi makatarisa Mai Suzana ipapa munoona uri
mupfekero kwawo yere wokusunga dhirezi namakavi omusekeswa uyu. Chero iyewe Jonas hausi
kutosvoda nezvakadai yere? Usadaro mhani iwe. Munodireiko kutishooresa mumusha muno.
Izvozvi mukadzi ari kurwa nekuzvibata, iwe uri sikasika nepfambi Harare ikweyo. Hamuzivisu
kuti mukondombera uchigere kupera vakomana? Rambai muchidaro henyu tinokuchererai pasi
zvinozvino. Musatigokera ngozi kuuya nayo kumusha uno. Isu uno takazvibata kwete
zvokunyepa. Zvokuzoti munouya muchitizora madhaka amakanotora Harare iyo isu hatidi.
Tichiri kuda kumwa ndari inobikwa naRukovo yaunoziva iwe kuti inonaka kupinda renyu
ramunomwa Harare iyo.” Jonas wakanga wachingoti tsiki tsiki nenyadzi. Akakungura kuti dai
uriye zvake wakanga waenda kwamupfiganehwe pachinzvimbo chomunun'una wake. Mashoko
akanga achitaurwa nevakadzi venzveura akanga achinzwikwa navanhu vazhinji. Nokudaro
akashaya kuti aizotarisana sei navanyarikani kunyanya hama dzaMai Suzana.
Akazozvishingisa ndokuseka nevakadzi venzveura achiti, “Haiwawo, zvivakadzi
zvamadzisekuru angu pane basa. Chibvai pano handiti nzveura yenyu ndakupai? Zvamurimi
mundinyimewo nyama yamuchabika pano. Kana matenga iri ngoto mungazondishaisawo ponda
chaiyo here nemari yose yandakupai yakawanda kudaro?”

Zvikanzi naMai Jerina, “Iwe! Isu hatina kana chatinokupa. Une batsiro yei zvokuti tingakupa
ponda yedoro iwe? Ini chero zvikanzi Panganai waenda nhasi uno handikupi mvura yokugeza.
Nhaka yacho ingasava yezita chete yere? Ndiani mukadzi ungada gomba rinopepereswa
nechirungu zvokukanganwa kumusha kwarakabva? Ini ndinoda gomba rinondipuruzvira zuva
nezuva. Ko, mazuvano zvichamboshupa yere nemafoni akadai kuuya awa? Mangwanani ukati,
‘Hello bhebhi.’ Masikatizve woti, ‘Afternoon bhebhi.’ Manheru ndizvozvozve, unoti
ndingachema nei pakadaro? Zvino kuti ini ndizokupa mvura ndinoda kutanga ndazviona
zvichiitwa panaMai Suzana izvozvo. Pasina izvozvo hapana chako.” Vakadaro vachitungamira
chikwata chenzveura vachibva paiva naJonas. Vamwe vakadzi vavaiva navo vakapwatika zvavo
nekuseka. Chero nevainzwa nokuona zvaiitwa namai Jerina vakagurwa mbabvu nesetswa.
Vaingoti zvevakadzi venzveura hazvitevedzerwi. Asi nerimwe divi vaiziva zvavo kuti mujee
imomo ndimo mukuudzwa chokwadi.

Abraham Makamera is a recognized Zimbabwean Novelist with two (2) NAMA


NOMINATIONS under Outstanding fiction Book for (ITAI)2019 and (MBONI)2022.

You might also like