You are on page 1of 4

MUFUNDISI UBEL

Nyaya yokushaya akangamubudisa munhanga yakange yomushaisa hope kwemazuva akawanda. Vazhinji
vezera rake vakange varoorwa nenzira yomuchato, nyangwe neshamwari dzake dzaaisishava nadzo
mumanight club emuguta reBulawayo dzainge dzavawo nemisha yadzo. Izvi zvakamudya moyo zvokuti
akatsvaga chikonzero chaisakisa kuti ashaye neanomukanda shoko. Ari mukati mokuvhendenyura kudaro
Tamari akakaruka ati, “Mukati haisi midzi yaSekuru Sibanda yoita kuti ndisemwe nevarume kudai?
Chero imo mumabhawa umu havachandimhanyire sekare sei? Hapana aiti pwe-e neni mumanight club
umu mhani. Handiti vainditi Mubatashangwiti nokuda kwokumhanyirwa kwandaiitwa nembozha
dzemuno muBulawayo. Zvino mazuvano zvoita sezvinonzi ndinozora marutsi embwa sei? Kuti
yakaexpire midzi iyi?” Akasumudza kachigaba kaiva nemafuta ainge akasanganiswa nezvimidzi zvemiti
yakasiyana siyana ndokunyatsozvinan’anidza.

“Ndoita sei? Ndodzokerazve kwaSekuru? But mhiko dzavo hadziite mhani. Zvimwe ndidzo dzava kuita
kuti varume vanditize kudai. Chero imo muchechi kushaya nomumwe akambondidawo. Dai kuri kunzi
ndakambonzi, ‘Ndinokuda’ ini ndikaramba zvainzwisisika. Kunyada kukwezvawo majaya emuchechi
unotoona vachisudurukira kure sezvinonzi ndinonhuwa. Kuti vanoziva basa rangu reusiku? Kana. Hakuna
mumwe anozviziva izvi. Zvino chii chinoita kuti ndisemwe navarume kudai? A-a! Ini zvangu
ndazvishaira pazvo ini.” Tamari akati sumu ndokukanda nhanho achibuda panze. Pfungwa dzainge
dzamuti, ‘enda undorasa mafuta aya muzavivi remoto waipisa marara panze.’

Achangobuda panze akanzwa nharembozha yake yochema iri mumba maainge abuda. Akamhanya
achidzokera mumba ndokusvikoti biku nhare iya, nan’anidzei kuri kuda kuona ainge amufonera ndiani,
pachiso chenhare iya tsvairei, panzeve name. Akachiti, “Hello Father.”
Izwi ramufundisi Ubel rainzwikwa richitaura panhare richiti, “Hie Tamari. Will you be free tomorrow
ndinoda undiperekedze mutown.” Mufundisi Ubel ndivo vaitungamirira sangano rechechi yainzi
Zvedenga Ministries yaiva murukesheni rweMzilikazi.

Tamari akasumudza musoro ndokutarisa mudenga somunhu ari kufunga zvokutaura. Akachizoti,
“Zvenguvai Father?”

Zvikanzi naMufundisi Ubel, “From 10am, wapedzawo kusvaira nokubikira vana daddy food sezvo inenge
iri weekend-ka.”

“Its ok Father. So munouya muchinditora here or tosangana mutown?” ndiTamari uyo.

“Tikasangana mutown kungachava kundiperekedza here nhai Tamari? I will pick you parobot.” Izvozvi
aireva panosangana mugwagwa unobuda murukesheni rweMzilikazi nemugwagwa unobuda murukesheni
rweNguboyenja, ichibatana nomugwagwa weLuveve Road. Izvi aiti zvaiva nyore nokuti iye Mufundisi
Ubel aigara murukesheni rweMzilikazi, uyuwo Tamari achigara murukesheni rweNguboyenja makare
muguta reBulawayo.

“Ok Father.”

“Good day. Bye-e.” Mufundisi Ubel vakadaro ndokubvisa nhare yavo panzeve. Vakadzokera pasofa
ravakange vakambogara vasati vasumuka vachitaura naTamari panhare. Vakati biku bhaibheri raiva
padivi pavo ndokurivhura vachitsvaga mavhesi avaizoparidza nomusi wesvondo. Vaiti vakawana pane
vhesi yavaida vaitora chinyoreso vonyora pabepa jena raiva mukati mebhaibheri iri.
Mufundisi Ubel vaive mukomana ainge ava namakore makumi matatu nerimwe okuberekwa. Vaive
mupfupi zviri pakati nepakati vari mukobvu zvishoma. Vainge vachiri jaya risati rawana. Zuva resvondo
raaizoparidza mavhesi aaitsavaga musi uyu raizova zuva rake retatu atanga kushumira pakereke
yeZvedenga Ministries. Mufundisi aimbova pakereke iyi ainge akabviswa nevakuru vekereke
vachimuendesa kuguta reMasvingo uko kwainge kwavhurwa rimwe sangano idzva.

Mushure mokunge vawana mavhesi avaizoparidza nomusi weSvondo, Mufundisi Ubel vakagara zvavo
vachironga mapedzero avaizoita zuva ramangwana vaina Tamari. Vakaona uriwo mukana wavainge
vawana wokududza zvaiva pakati pemwoyo wavo kumhandara iyi. Hongu Tamari vainge vakamuona
kaviri chete pakereke yavaiparidza asi unhu nechimiro chemhandara iyi zvainge zvakatora mwoyo wavo.

Tamari semusikana aitungamirira chikwata chePraise and Worship pakereke imwecheteyo aitaridza tsika
dzakanaka kune munhu wese wekereke iyi. Hakuna munhu wawainzwa aichitaura zvakaipa pamusoro
pemhandara iyi. Wose munhu aishama muromo achitaura nezvaTamari aingobudisa mashoko erumbidzo
ega ega. Izvi ndezvimwe zvezvinhu zvakaita kuti Mufundisi Ubel vafunge zvokuroora mhandara iyi.
Hongu pfungwa dzekuroora dzainge dzavaputira zvokuti dai zvaikwanisika vangadai vakaroora Tamari
zuva ravaizoonana, asizve hapana munhu angati kutsvaga gombo nokubva arichenesa nokutema miti,
kupisa mavivi nokutokusha rukweza musi mumwe chetewo. Izvi ndizvo zvainge zvatuma Mufundisi Ubel
kuronga kuswera naTamari vachimuudza mashoko orudo vachizonzwawo zvaaiva mupfungwa dzaiye
Tamari.

Mufundisi Ubel vakati sumu ndokuti nhanho ina kanhu kanhu vakananga kumusiwo. Vakasvikokiya
musiwo ndokupinda mukamuri yavo yokuvata. Vakasumudza matiresi ndokuvhomora pfuti yorudzi
rweCZ Pistol ndokuinan’anidza somunhu ainge atanga kuibata musi iwoyo. Vakachitanga kutaura vega
voti, “Ini zvokuswerotsvaga mari nokubira vanhu handichadi. Nhasi ndiri kundokurasa murukova Mazai
woveredzwa nemvura iwe. Mwari ndiregerereiwo ndainge ndangofurirwa neshamwari dzandaitamba
nadzo. Kwaiva kusaziva Jehovha, nzira dzakarurama ndava kudziziva saka ndava kuda kurarama upenyu
hunokufadzai kwete zvokusweronyengedza vanhu ndichihwanda nokunamata. Nhasi chaiye ndiri kurasa
pfuti iyi. Chero shamwari dzandaitamba nadzo handichadi kudziona pamberi pangu.” Mufundisi Ubel
vakataura vakamira mukamuri iyi. Mufundisi Ubel vakabaira pfuti iya mubhurugwa ravo nechepachiuno
chavo ndokubuda mukamuri iyi. Vakafamba vachienda kumusiwo wokubuda mumba iyi ndokukiinura
goni ravainge vambokiya munguva pfupi yainge yadarika. Vachingopedza kukiinura vakanzwa pamusiwo
kugogodzwa. Vakamira vachishaya nechokuita chose. Hana yainge yokwata sepoto yebota remwana iri
pachitofu chakatsvuka kuti piriviri. Vakazongokaruk vati, “Come in!” Izvozvi vaitaura vachivhura goni
riya. Meso avo akasanganidzana naRose, mumwe wevasikana vechikwata chePraise and Worship uyo
ainge akangoti tumbi pamberi pemusiwo.

Mufundisi Ubel vakati, “Ah! Ndiwe zvako Rose? Dai ndaziva kuti ndiwe ndingadai ndisina kuuya
kuzombokuvhurira.” Hana yainge yachinyevenuka zvino asi dikita rainge richikuoneka pahuma yavo
richisinina.

“Saka ini ndini wamusingadi kuvhurira asi vanaSister Tamari muchivavhurira nhai?” Akadaro Rose
achiseka, asi Mufundisi Ubel vakavhunduka zvikuru nokuda kwemashoko aRose. Kutaurwa kwezita
raTamari kwakaita kuti muviri wavo uti nyakata nedikita. Vakatanga kuzvibvunza mupfungwa voti, “Asi
pandafonera Tamari ainge akateerera here musikana uyu? Ko, kana ange asina kuteerera zvino zvaTamari
zvapinda papi apa? Ko iye anotsvagei kuno masikati akadai? Asi atumwa naTamari kuzo--.” Havana
kuzopedza kuzvibvunza vagurisirwa panzira naRose uyo ainge atova mumba nechekare.
“Asi mange murere kani Father, or uyagula?” akabvunza Rose agara pasofa.

Mufundisi Ubel vakapinda mumba ndokuvhara goni. Vakamira pamberi paRose ndokuti, “Ndange
ndakafa nehope ufunge zvako. Knock yako ndainzwira kure kure. Ndatomboti zvimwe ndiri kurota ini.”
Vakadaro Mufundisi Ubel vachinyeba zvavo.

“Ngiyaxolisa Father. Ndangoti since ndine duty this Sunday, ndibvunze kuti munofarira food yakaita sei,
uye ndigare ndatora mimwe midziyo kuitira kuti ndisazonetseka nekutsaukira kuno on Sunday.” Rose
akataura mashoko aya akatarisa mufundisi wake mumaziso chaimo. Vasikana vechikwata chePraise and
Worship vaiita majana okubikira mufundisi musi weSvondo wega wega, saka musi weSvondo yavainge
vatarisana nayo jana riri raRose.

“Waita zvakanaka Rose. Ko, nhasi hauna kuenda kuchikoro here?”

“Ndakapedza kunyora nezuro ini Father.”

“Ho-o, gara zviya wange uri form six. Ndaifunga kuti uri form five ini.”

“A-a Father. Form five nezvandiri zvino?” Rose akasumuka kuti mufundisi Ubel vanyatsoona muturu
wake. Akamira kwechinguva ndokudzokera pasofa. Mufundisi Ubel vakabva vagarawo padivi paRose
votaura zvavo nyaya.

Muvhundisi Ubel vakabvunza Rose kuti ainge asiya vana baba namai vake vari sei. Rose akaudza
mufundisi wake kuti vose vainge vamuka zvakanaka asi mai vake ndivo vainge vamukira kundogadzirira
zvemuchato wavakoma vake Tafadzwa. Mufundisi Ubel vakati, “Ok! Ok! Ndange ndichitotarisa list
yemuchato yatinayo this month ndikaona zita rako risipo, unoda kuzochata riini iwe?”

Zvikanzi naRose, “Hi-ii Father! Ndichachata zvangu kana nguva yakwana, asi mange muchida kuita
marriage officer wangu here?”

Mufundisi Ubel vakati, “No! No! No! Not marriage officer.”

“Why Father?” Rose akabvunza achishamisika.

“Your wedding deserves a marriage officer akaita saBishop Raphel, not munhu akaita seni Rose.”

“Hi-ii Father. Why mati my wedding inoda Bishop Raphel?”

“Muchato waPastor unoitwa naBishop Rose…”

“Ko ini ndagova pastor here nhai Father?” Rose akabata Mufundisi Ubel muromo nemubvunzo uyu.

“No-o! You are not. Its because tisu tinenge tichichata Rose?” Rose akamboita kakuvhunduka
ndokuramba akatarisa mufundisi Ubel achishaya kuti opindura achiti chii. Mufundisi Ubel vakabvunza
Rose kuti sei ainge angoramba akanyarara Rose ndokupindura achiti ainge apererwa nokuda
kwemashoko amufundisi wake. “Inga ndati ini ndini ndichange ndiri groom iwe uri bride, saka chonetsa
chiizve?’ Mufundisi Ubel vakabvunzazve.

“Its not easy to reply Father. Ndingapindurawo ndichiti chii, chero ndimiwo Father?” Rose ainge
apererwa zvino. Akatanga kudemba chaainge auyirawo mumba umu, asi dzimwe pfungwa dzakamuti
ainge agona kuuya kumba uku nokuti mukana wakaita souyu haaizouwanazve muupenyu hwake. Hongu
mashoko aMufundisi Ubel aimuremera kugashira, asi kubva kutsi kwemwoyo wake Mufundisi Ubel
aivada kubvira musi waatanga kuvaona. Rose akanetseka kuti otaura zvipi kuna mufundisi wake. Chimwe
chakamunetsa ndechekuti Rose akange asati ava nechokwadi chokuti Mufundisi Ubel vainge vasina
mhuri zvechokwadi here. Ari mukati mokufunga kuti opindura neshoko ripi, Mufundisi Ubel vakasumuka
kubva pavainge vakagara ndokuenda kumusiwo. Vakasvikokiya goni ndokudzoka vananga kumba yavo
yokuvata vakabata makiyi muruoko rwavo rwerudyi. Rose achiona izvi akanetseka kuti mufundisi wake
ainge apindwa nemweya wechi zvakare. Mufundisi Ubel vakadzoka mukamuri yavainge vasiya Rose
ndokusvikogara padivi paRose. Vakachitanga kumupuruzira nokumutsvoda zvinyoronyoro.

Rose akambotanga achiita somunhu aisafarira zvaiitwa naMufundisi Ubel, asi mushure mechinguvana
ainge ava kubvumira zvishoma nezvishoma. Akasimudza ruoko rwake rwerudyi ndokuriisa kumusana
kwaMufundisi Ubel. Akachitanga kupuruzira achidzika nomusana womurume uyu. Panguva yaakasvika
muchiuno chaMufundisi Ubel, ruoko rwake rwakasanganidzana negaro repfuti yainge yakabairirwa
mukuti memudhebhe wainge wakapfekwa naMufundisi. Rose akabva angomira kupuruzira kwaainge
achiita. Ruoko rwerudyi ruye rwainge rwachiti dzvi garo repfuti iye, meso ndokuchinzi jii pachiso
chaMufundisi Ubel. Pakarepo nharembozha yaMufundisi Ubel yakabva yarira mushure mokunge Tamari
afona. Mufundisi Ubel naRose vakaramba vakatarisa nhare yairira iri pamusoro pekatafura kaiva mumba
umu. Hapana akati bufu kune mumwe kunze kwekungotarisana chete.

You might also like