You are on page 1of 77

I WAS MADE FOR LOVING YOU

+263 77 522 7112: I Was Made For Loving You

Story by President Shizzle

Chapter 01

"I was driving my Range Rover yangu ndichitsika hangu


mafuta ndichinanga hangu kumba kwangu kuborrowdale
brook kwandainge ndichangobva kutenga sezvo kubasa
kwangu kwandainge ndoshanda kwaive Ku Nicoz
Diamond as A HR life was going the good way as
lplan!ndichi driver range rover rangu l heard some
screaming in My Car ltold my self their is something bad
out their.
Ndakarevhesa mota hangu ndichida kunzwa kuti wat was
taking place out their ndakatora zi machete raigara
pasipemota yangu randaichengeta mumota for my own
safety kana ndikatsikwa ne Marobbers ndaizhaka 1 Onzwa
parere Moyo hake ndamurova nemachete riya. My name is
Trevor Mugadza am 27 Years Old ndakaberekwa Mumhuri
inevana 4 INI ndiri firstborn my Father died when l was 12
Years Old ndakakura ndichichengetwa namai
vachindiendesa kuchikoro nemari dzemusika My siblings
kunoti Natasha Winnie Talent we are 2 Boys 2girls
ndakakura hupenyu. Hwairwadza na Amai Vangu
Vaimukira nkuseni kwoga vachienda kunohodha
kwaChikwanha kunova kuchitungwiza ndiko kwaive nemba
yababa vangu yavainge vakasiya vati vakisira.

Amai vafumo rohwa nechando vamukira kunohodha


kwachikwanha ndaivati konhai mhamha zvichagumawo
nepiko kuramba tichitambura kudai sezvo mumunu'na
wababa Ainzi Clemence ainge auya akatakura zvinhu
zvose zvainge zvakatengwa na Baba.Amai Vakanditi hona
iwewe ndiwe mukoma mhuri yose iyi Yoda kumira newe
saka ukatokura mangwana uzazorasa vanu'na Vako sezvo
BabaVako Vakaenda kuMakumbiro kusingadzokwe.Iwewe
wotoshinga nekusevenza Zvakasimba sezvo ndiwe mukuru
Mashoko aitaurwa na mhamha akandisiya ndoeredza
misodzi kuti it was me Versus Life here ndini ndaiva
Mukuru ndaitobatsira Amai vangu kurongedza
matomatoes ese avainge vahodha.Taigara Muzengeza 4
KumaJarata ndiko kwataigara taive hedu ma Landlord
sezvo Baba Vaishanda kuchitungwiza Municipal
Kuchikoro Taienda nemashot aive nezvigamba asi teacher
vaindidzidzisa Mrs Karimazondo Vakazosvika pakuenda
neni kwa Enbee Vakanonditengera uniform yainge
yakanaka chose Amai Vakazoenda kunotenda tsiye nyoro
dzainge dzaitwa nemudzidzisi aindirairidza Amai
vaingoburitsa misodzi nakatoonawo teacher vangu
voungudzawo vakabata mashoulder amoms ndikati
ndiMwari Vaita Zvidaro. Takabva Tatendeukawo Ku Afm
Yaitunga mirirwa nemunhu Wa Mwari Pastor Danduro
Mandaiiimba Praise & Worship hangu.

Baba Vakaurawa mushure mekunge vavhoterwa kuita


Chitown Clerk aivatevedzera anonzi paakanzwa Kuti
Enock Mugadza akupromotwa akabva avaisira Nduru
Yegarwe Mutea Baba Pavaive Palunch vainwa tea Yainge
inemukaka vakabuda vachienda kutoilet kunozvibatsira
aivatevedzera uya akabva ati chance given kwakuvaisira
nduru YeGarwe Mutea Baba kwakusvika Nekunwa
Vachipedza kuisa cup ye tea patable Vakuti regei tiite
madraft emapepa ndopavakatanga kuti Mudumbu Mangu
Vachibata Mudumbu Vachibva Vatanga Kurutsa Ropa
pavakazomhanyiswa kuChitungwiza Central Hospital
vakange Vatoti Chisarai nguva iyoyo ndipo pandainge
NDA Pass Grade 7 PaNdangariro Headmaster Wepo Mr
Gwiza Vainge Vafarira Maresults angu ndainge ndabuda
ne 4 Units Pa Grade 7 Maticha ose aingoda kundimhoresa
kubvawo ndipindewo chikoro Number1 ndoyandaigaro
ndakatora Maticha mazhinji aindifarira pamwe
kwaingovewo kuzvarwa wakadaro. Ndakazoenda
kuchikoro PaZengeza 1high Pandaigaro vharisa zvekuti
hanzwadzi yangu yainditevera yainzi winnie ainge
atozezesa mukurova mabook ari Grade 5 Ini ndiri form2
zvaitovewo zvemhuri zvekugona chikoro Babamunini
Vekutora Pfuma Yababa Vainge vane Madofo EGA EGA
Vakazama kudakuti uraya asi bible rakati no weapon
formed Against me Shall Prosper chaitova chokwadi kana
Mwari Vavhura Mkana hapana angaumise kuti usaende
kumberi Olevel ndakapasa 9 Subject ndikaita ma A chete A
Level yangu ndainge ndine 15points ndikaenda Pa UZ
pandkaita madegree akati kuti ipapo ndichibvapo
ndakawana basa Pa Nicoz Diamond panove pandakaita
HR saka zveurombo nhamo tainge takurawo Nayo
taitoendawo kuchikoro nemapant akabooka ana John
Vaitoimbawo Simudzai Mureza Varimo Mubhurugwa
imomo. Nicoz Diamond yakanditengera Imba
Kuborrowdale brook iyoo yandaigara ndirindega chainge
chasara kuti kuite inotaurwa nevapfanha vechizvino ava
kuti behind every successful Man their is a woman behind
but me their was non but some were after my wealth
maiziva.

Ndakabuda murange rover mangu ndiine Machete rangu


ndichienda kwandainzwa sound yemudzimai aichema uye
ndakaita zvechimbichimbi kuti ndiyedze kubatsira munhu
aichema mhere ndakasvika Painge Paine vakomana
Vatatu vairatidza kuti vakange vekumazera ekuma 23 25
22 vaizama Kuda kuraper mumwe musikana asi Vainge
varibusy kuti Vamubvise Chipfeko chemukati kuti
Vazowane Mukana wekuisa chiro mudumbu
ndopandakabva ndasvika hangu nekumashure kwavo
kuratidza kuti ivoo vainge vasina kutombondionawo
ndakasviko bhemba 1 wavo aikikiritsana ne underwear uye
vamwe pavakanzwa Mhere yakaridzwa nemubiyawo
Vakabva varova Tobo havo INI ndokusara nemusikana
uya.

Am Trevor ndangonzwa Ku screamer pandangoti pfuurei


marobbots epa Race Course ndikati kochii chikutora
nzwimbo panapa ndatozorevhesa motikari yangu
ndikatora chimachete kuti ndione kuti kwakanaka here
kukuchemewa kudai............................Me am Sharon
ndangoti regeiwo ndidamburire ndipinde nekamukoto
kanaka sezvo nhasi kubasa kwedu ndainge ndanonoka
kubuda ndopandatowona vakomana ava vaida kundiraper
l thank you nekundibatsira Mukoma Trevor Mwari
akuwanirei Nyasha........................ Mwanasikana
aingonotaura nenzwi rakanyorovera iroo rainge
rotonditenderedza msoro apo aingonotaura misodzi
ichiyerera. Ndakanzwa kupa mhosva kuvanhurume vanoita
zvekuraper kuti imhuka rudziiko inopinda mavari
vanotoda bhadhiza chairo kuti Vasabata Tswarakadenga
Chibharo Vanotoda kubviswa zvombo zvacho
zvinovashungurudza izvozvo mufunge. nakazoti nhy
Sharon Do You mind if l Give You a
ride.................................

Sharon achabvuma offer ye ride here?

Trevor akuvavarireiko kuna Sharon?

Ko Sharon ainge abhinywa here?


Watch Out for Party 2 ye I was Made For Loving You
President Shizzle

End of Part 1
+263 77 522 7112: I Was Made For Loving You

Story by President Shizzle

Chapter 02

Continuation from Chapter 1


"She said umm lgotta to go home n c my Parents. Ohhh
lwill come back n drop you home dia? OK let's go then
ndakadungamidzana nemwanasikana uyu takananga
pandainge ndakaparker Range rover mwanasikana
akaratidza kuvhunduka achiona zvainge zvakaita range
rover ndikati pinda tiende akamboda kuita kakunyara
ndikamuvhurira passenger side akapinda ndakasvikoisa
hangu machete rangu raive neturopa twemufanha
wandainge ndabhemba nemachete irori ndaingowona
mwanasikana achishamisika hake chiso chake ndainge
ndisinakuchiona nevhudzirake rainge
raendakufront.ndakavhetemesa motikari takanangakumba
kwangu muroad hapana aitaura nemumwe
ndakazongoerekana ndangoti ndasvika Guard wangu
achivhura Gate mwanasikana aishamisika nekutarisisa zi
imba rangu achiti its all yours ndikati yes.

Foni yangu yakabva yaringer ndikatarisa kuona kuti


ndiyani aindifonera manheru akadai ndakatarisa kudai
ndikaona zvavari Ceo vekubasa kwangu Mrs
Mkomberanwa vaifona
Hallo Madam
Hey Trevor....... Tmrw Come Early "As a company we
want to Introduce a New Secretary that you will be
working with!
Ok Madam lwiil make it up on tym hey Foni ichikata

Ndakapinda nemusikana uya ndikati its now late hey let


me give u a room that you gonna sleep ndakabva ndamupa
chikafu chainge chiri muKitchen she thanked me for being
kind to her ndakarova step hangu ndakananga Ku
Bedroom kwangu ndakasvikorova Prayer yainge
yakasimba ndichibva ndarara hangu hope dzoumambo
ndichimuka was busy kuti ndibate tym dzekubasa
ndakabva ndamhanyira kumutsa Sharon uyo airatidza kuti
akafa nehope zvake ndakarova knock padoor rake Sharon
akamuka akaenda kunogeza ndikasara ndichigadzira tea
hangu yekunwa kuti tibude tiende Sharon was ,fast but
when she came abva kunogeza manheru ndainge ndisina
kutarisa chiso chake ndakati this beauty is from stargezer
runako rwaive pana Sharon rwainge rwanditora moyo tea
ndakabva ndakundikana kuinwa hangu ndainge
ndangomerera ndakabva ndati when the right time comes
lwil do what it takes to be with this lovely Queen The bible
says in (Proverbs 18vs22) who so findeth a wife findeth a
good thing muhupenyu hwangu ndochinhu chainge
chasarawo kupiwawo na mwari Amai Vangu vainge
vatoneta kutaura kuti ucharoora rinhi sezvo hanzwadzi
yangu yainzi winnie ainge atoroorwa na Pilot aishanda pa
Air Zimbabwe vamwe vaviri vaivebusy kuitawo kuita
madegrees pa University of Zimbabwe ndaitova
bhadharira mafees Talent muni'na wangu aitobhunzawo
kuti maiguru tichavaona rinhiko ndikati kananguva
yamwari yasvika bible says in (Ecclesiastes 3:1) There is
tym for every thing
Ndoyaive Answer yangu hangu mumoyo mangu asi
pachokwadi pana Sharon ndainge ndakuvarira mukati but
chakandidzora yaive teaching yandinge ndakapihwa
nemunhu was Mwari Pastor Dandure every thing that is
yours will follow you ! Takarova mota 10 minutes tainge
tasvika mutown traffic was not that much uyuwo Sharon
ainge aramba kunosiwa kumba achiti Aida kumhanyira
kubasa kwake kwaaishanda musaloon ndikati ok wofamba
bho ndakabva ndamukumbira Foni number dzake
akandipa ndikadzisaver hangu ndokubva Kune Park Street
ndakananga kubasa.

Ndichisvika kubasa ndini ndakaita wekutanga kupinda my


office Ceo ne board vakabva vasvika havo muboard
nemusikana ainge akanaka zvekuti pana paida
waimboramba wakatarisa runako rwake Ceo
vakazosimuka vakatanga kutaura kuti this is Paida.
Mutswairo she will be your Secretary starting from Today
she will be assisting you the board claped but me in my
mind ndaitowona kuti mauyedzo wazotanga manje.
Ndakaona zvake paisa uya abuda na Ceo hake vari vaviri
Paida...........Nhy Ceo Trevor akaroora here
Ceo .............Haasati uyu he is Bachelor
Paida.......hooo he is very handsome umm he is a husband
material
Ceo............um Paida unenge wanakirwawo na Va
Mugadza hatizodi kunzwa kuti mukuvharirana na Va
Mugadza mu Office zivai kuti wakavinga basa hanti kwete
kuzoita love pabasa tikazviziva basa ropera
mungatozviitire Kune uko not piano pabasa.
Paida............... haaa not like Dat mam lam just admiring
him..........

Catch us on Chapter for Comments hit my box 0775 227


112
Type yes for Part 3 Mafans ndimi Moita zviendemberi
Amen

End of Chapter 2
+263 77 522 7112: I Was Made For Loving You

By Public Demand

Story by President Shizzle

Chapter 03
"Pachokwadi mukomana anonzi Trevor ndainge ndamuda
pachokwadi kungopinda kwandakaita muboard room umu
ndakanzwa magetsi mumuviri wangu kuti mkomana uyu
ndofanirwa kuenda naye Ku Lunch lwill do what it takes
kumutora muchinda uyu. ini ndonzi Paida havandikwanise
mhani ndakatorera vakawanda mafesi Trevor
haambondinetse uyu tisu Vans Chihera noswera
ndamupfavisa sekacheche kakupihwa mukaka. Asi Ceo
vane Jealous kubva vatoti zvekunyengana hazvidiwi
pabasa vanengewo vanoda Trevor mother iye handiione
mushe ichiri kutemwa dzinobva ropa chete manje neni
chihera tosvitsana kuma Pena Panyaya Ya Trevor iyi
havambondigone gore rino pa Nicoz Diamond. Haaa
PaChatswa Mupinyi kosara Demo tombonzi ananiko isuu.
VaChatondiona.
Asi Mukomana anonzi Trevor anerudo rwusingaite kumisa
rangerover kuuya kuzondibatsira ndichida kubhinyiwa
nematsotsi ndovanonzi vanhu vakanaka ava Humandara
hwangu ungadai hwakatorwa nemagora Aida kundibhinya
asi zvandamupa number dzangu achanditswaga hake
ndoda age shamwari yangu ndiripakati pekufunganyaa
nezva Trevor Foni yakabva yapinda app msg ndikavhura
ndokuona zvaari Maxwell mukomana wanga
hes kani Sharoe my darling indava kuti zizi mudiwa wanga
shazz ndiribusy unonditswaga tym tym Darlie have gud
day my lovie
ok mudiwa satday unenge uchiitei?
ndokuudzaa kana ndave Free my lover.......
ok thank u then mudiwa.
K
Ndakabva ndabva hangu pa chat hangu ndokutanga
kuruka client yainge yapinda mu saloon asi pfungwa
dzangu dzaive dziri pana Trevor mukomana uyu zvaainge
andiitira zvaisatombobuda mumusoro mangu zvekuti
ndakazoerekana ndadeedzera Zita rake musaloon
mandairuka zvikanzi na Amai vandairuka kwakanaka
herekwamobvunza Trevor akamboita Seiko munhu iyeye
wamurikutaura iyeyu ndikavatsanangurira zva ainge
anditira zvikanzi ndiye mwari uyu ka nhy mwanangu
ukufunga kuitasei naye Trevor ndikati mother l think
"lcould be her Friend wow lwish you Goodluck.

Ceo vazotitswakira mabasa kuwanda pacompany pano


muyedzo uyu wotoda mabvi nemagokora ndikasatosimba
Paida anondiita Sex toy yake Pa Company pano kupindira
kwaaita handina kumbokuona mushe iron ziso raanga
akandipa munhu wemukadzi anotoratidza mabasa ake
erima kudaro iii Ceo vatiparira na Jesu ndoenda kure.
Ndakabva ndaenda pafoni yangu ndokuisira Sharon Foni
Call
Hallo sharoe wamboswerasei
ndaswera bho kurisei kubasa kwenyu
kuribhoo stereki kondaidawo kuti ndizokuonawo wknd tiite
dinner tose in one of the Town pickniks
ok noproblem ndouya nguvai
will tell u tym dzacho.
Ok byee ndikabva NDA cutter Foni
Ndakabva ndanzwa knock kukapinda sister vaindivigira
tea vakauya ne Msg Vachiti ndaidiwa na Ceo Ku Office
kwavondikati nosvika.

"Goodmornin mam morning sir u may take a seat


ndakagara hangu ndichibva ndanzi mkoma Trevor you
have been working so good in our Company soo kuuya
kwaita Secretary mutswa uyu toda mushande zvakanaka
hatidi kuzonzwa kuti mamuchiita zvepabonde pa company
tikazvinzwa tinobva tangotora zvese
zvatakakupai......................ndapanzwa man handimbodaro
izvezvi tamutuma kuneimwe branch saka toda mushande
zvakanaka you may go nakabva ndabuda muoffice ma Ceo
ndakananga mangu

Ndakasvika hangu ndokugara pa chair yemuoffice pasina


chinguva Paida akabva apinda nemafiles ainge achida kuti
ndimubatsire zvaida kuendeswa Ku Print flow akagara
panext neni Paida akabva akwinya skirt yaainge akapfeka
zvidya zvefanta zvikabudikira ndakabva ndati ooh My God
ndokubuda ndichimhanya mu office ndikasvikoroverana
nemusikana aibika tea ndokuenda Pa Musoro Pake Ceo
Vakabva Vabuda mu Office mavo ndokuona ndiripamsoro
pa tea girl girl. Ceo vachiona izvi
vakabvavati.................................

Ceo Vakatiii ayewa zvaita head on


Just request for Party 4
Thank u ne macomments zvikuendamberi
Munyori wacho akumboita busy ne graft but don't worry
Party 4 Inoda kuverengwa iyi
+263 77 522 7112: I Was Made For Loving You

Story by President Shizzle

Chapter 04

Backed by Public Demand

"Nakaona our Ceo Mrs Mukomberanwa Vachiuya apo


ndaive ndiripamusoro pemusikana aibika Tea Satan ainge
andinyadzisa achishandiswa nemano a Secretary mutswa
ainge atori agent yasatani nxaa.ceo vakasvika ndokutarisa
kwataive zvikanzi what the hell are u doing their Mr
Mugadza & ccster Catherine follow me in my office?
Nakatoozona Secretary vabuda mu office vachitora mapics
e incident yainge yaitika. Ndakapinda mu office ma Ceo
Ndiine Nyadzi nezvainge zvaitika. Mr Trevor tell me what
the hell is happening here lwas just running for loo lheard
some stomach ache mam so tabva tadhumana I'yee achida
kuuya ne tea Ku office kwangu mam Mr Mugadza &
Catherine am suspending you with immediate effect
starting from today am giving u 2weeks suspension nyaya
yenyu ichiongororwa u are dismissed. Ma1 aye ainge
atangidza basa rainge rakutopera nhy Mwari ndodi Mwari
ngavauye vature Mutoro wangu unorema kudai
ndakabuda ndiri confused ndichibva pabasa pangu
ndakarova Range zvemufirimu Red Robot ndaingo crosser
ndakarova mota ndainge ndave Confused zvekutoti
ndakaerekana ndaenda wrong lane kwaiuya Lorry ye
Lobels Bread ndokuita Head On Takadaro.

Aah Trevor azondinyadzisa rwendo runo ndaivimba naye


ndaitoda kumusiira nyembe kuti asare achitungamirira
company ino manje zvandamuona aripamsoro pa tea girl
zvinoratidza kuti vanhu Ava vanetime vachidanana its
better kumbovapa Suspension kuti vazive kuti kubasa
vakauya kuzoshanda.not kurarirana pamsoro lou but
Trevor looks so innocent ldon't no why in his sayings that
he was going to the toilet when he Collide with tea Girl.
Pakaipa wena we shall see kuchawira tswimbo nedohwe
ndiripano Paida is so Invincible this young lady.

Trevor zvaabva atinyanya kwakanaka here nhy iii


ndamusuwa regei ndiedze kumufonera Hallo tiribhoo
hedu am Mr Rushwaya ndoshanda kuparirenyatwa
maitabasa mogona nekufona nekuti Foni inoyi
inemapattern ndimi ani wa Trevor am her friend
kwakanaka here Trevor aita tsaona achibva kubasa so
come kuParirenyatwa Ku Male Ward ndokwatamuisa
Hana yangu haina kugadzikana nezvandakanzwa zvainzi
ndozvaitika kuna Trevor ndakatswaka emergency kombi
kuti ndimhanyire kunoona kuti Trevor adiiko kana macalls
aiitwa na Maxwell mukomana wangu ndainge ndoakata
pfungwa dzangu dzainge dzazara Trevor Vanhu vaitoona
mukombi vaitoti ndakumhanya bani nekuti pfungwa
dzangu dzaitoita kunge dzataika chaiko pamwe ndorudo
rwacho nekuti Kune munhu wekuti ukanzwa kuti adai
unotomboti asi mwari asi mhoswa haisi yamwari wakaipa
anenge achida kuratidza simba rake asi bible rinoti
tirivakundi nekupfuurisa chaiko Hatirwe nenyama neropa
asi nemweya yemuchadenga mashoko iyayo
aingondisimbisa mufunge nakapinda my Parirenyatwa
ndokufona panumber dza Trevor dziye dzikadairwa ne
same person uyaa zvikanzi ndiripa pa Carpark
ndakateverana navo baba vaye vakati tiende kwaiva na
Trevor takasvika ndikaona shasha yakakotsira doc vaiti he
is OK angotivhiringidzikei hake musoro asi he is OK don't
worry akazopepuka ndokubvunza kuti ndikuitei munoo
ndiyani andiisa munoo achida kubva pamubhedha doc
vakabva vasviko mutsanangurira zvainge zvaitika
ndopaakaapihwa Foni take akai unlocker kuti afonere
vekubasa kuti vagare vachiziva zvainge zvaitika akatanga
kubata Ceo Vakati vakutouya Ku hospital ikoko. Pasina
chinguva ndakaona vakadzi vaviri nevarume Vashanu
Vaive ne hembe dzakanyora kunzi Nicoz Diamond asi
paive Paine musikana wechidiki Aiita kuzvizvuva negogo
uyo akasviko zvi introducer EGA kuti anonzi Paida
ndakatoona kuti ukanzi washanda ne that type unotoda
kushinga.
Kungopinda kwandakaita muward yainge ina Trevor
kamusikana kandakaona kaizviti kanonzi Sharon kainge
kondisemesa semanyoka chero hako kakanaka kundipfuura
asi Trevor haandionewo here ingaa ndakamuratidza
zvidya wani akabva atiza sa Josefa munyama waakaita
akabva aita kwakunodhuma Tea girl kwakuenda pamsoro
lake flask ne tray zvichienda kwakadaro ndakaona kuti
shasha yazopinda busy na Ceo manje neyaingen
yotambika ndakazongobuda ndikatora mapic
ndikachengeta ndikati shasha ikandiramba chete ndikumu
exposer pa H Metro chete Sharoe aitomuramba chete
akaona H Metro iroro ndozvandaitofunga kuitira Trevor
akabhaiza chete nekuti mbudzi inodya payakasungirirwa
saka ini ndoda kudyawo pana Trevor wandoda asi Rival
inonzi Sharoe ndofanirwa kuidefeta kuti ndipindewo
pahasha.
"Asi suspension yandapa Trevor ndoyatozotisvitsa pakadai
nhai Mwari Trevor is one of the best worker pakambani iii
tikamulooser tinoita loss we need kumuita kuti akasire
kurapwa todzima nyaya yake isina maturo. asi kupinda
kwataita mu ward Paida aratidza kuvengamusikana ainge
akabata rwoko rwa Trevor Musikana uyaa ndiye munhu
kwete zvana Paida Vanoita sevakasvinwa pamhopo
Vakazhandukira kunge mhepo kudai ndoma wife material
akataurwa nevechizvino.

Ndakazomukira the following day sezvo yaive wknd


yatainge ta promisana na Trevor kuzoonana asi zvainge
zvakona n'anga murapwa achida nekuda kwetsaona yainge
yawira Trevor.Maxwell ainge ongofona padhuze
nepadhuze ndisingadaire mafoni calls ake ainge
otopedzera miseve yake kumakunguwo ndainge ndakuiita
kakumuvenga soo iye. Ndopaaitosimbirira kudakuti
tisangane mu Harare Gardens ondizadzira hembe dzangu
mahuswa. Na Maxwell tainge tavenemakore mashanu
tichidana asi relationship yacho yainge isina marriage isu
tetakudawo kuroorwawo kwete kumburudzana nemakiss
muharare Gardens Nikis chatobata umwe akuendesa
chimoko chake kuHarare Gardens. Ndozvandainyanyo
tarisira pa relationship yedu na Maxwell ndandakufunga
kuiita Shutdown ndichibatsira Trevor...............................

Haaaaaaa tosangana pachapter 5


Book rinoo ririkufamba wena sooner reraku 20 kkkkkkkk
Mafans ndimi munoita zviyende mberi type Yes for Part 5

Tichitenda Vanhu vanoti Shally, Catherine ,Lindaa


Precious ,Rumbi ,Clemence Thank you for Supporting my
writings Amen
End of Chapter 4
+263 77 522 7112: I Was Made for Loving You

Story by President Shizzle

Chapter 05

"Ndaitenge ndatomirira zuva rekufa chairo nekuti mudiro


wandainge ndoita Trevor wakange usingaite? Kubvira
hupenyu hwangu wose ndaitombobatwa nechadzimira asi
Hondo hombe yainge iri yekuparadza Vanozviti Queen
Sharoe Ava Musikana uyu ndainge ndakamuvenga
nekundishaisa hope ndaitogaya kutoti iye ndiye
aripanyanga koini ndopindawo rinhi ndopakazongouya
pfungwa dzekunotswaka Blaa Peter Mhondi YekuMufakose
ndakutoda kumuClear Sharoe uyu achingoita Dissapper
chaiyo nekuti Trevor haazofi akandicheuka nekuda
kwerunako RWA Sharoe runomwisa mvura kudai
mupfungwa dzangu mainge matowona ndichiiswa
Diamond Ring Na Trevor ini ndichingofarira hangu
ndakazovhundutswa na Tea Girl akauya ne tea achitoti
madam tea yenyu yaita ndakangodzwuta zvema2min
ndokuvata hangu.

Kubvira musi wandakanoona Trevor Maxwell haasi


kumira kufona ndotoshaya chaarikunyanya kusimbirira
mazuwano haasi kuonawo ega kuti haachadiwi here
ndotoshaya kuti chaanosimbira pandiri akaita rudo
rwekumanikidzira achaerekana akudanana ega hake
nguva yake yakapfuura iyi tingadai takaroorana
mumakore mashanu adai kudarika zvimwe achatoroora ne
bondnote rakadai kuuya toona
kukuwira Tswimbo nedohwe gore rinoo zverudo zvoshupa
izvi
Mhani hazvina mugoni Trevor ndainge ndongonzwa
kumuda zvekutoti neniwo ndega ndaishaiwa zvekuita
nehandsome pfacha iyiii ummm uyu munhu anonzi Trevor
ndakamupihwa na mwari. mwari vaive nechinangwa
chavakazviitira kuti tisangane panjodzi yainge yandiwira
yekuda kubhinywa iyaa God has a purpose for 2 of Us
mangwana ndoda kumukira kunoona Trevor pavist
ndinzwekuti akunzwaseiko.

Asi mukomana uyaa akuzhaka nebhemba Hanna kukuvara


here Victor akadaro mumwe wevakomana vaitungamirira
boka raida kubhinya sharoe. Manje atamba Ne Mashark
Mike totofanirwa kumunyudza manje James akabva
asimuka paainge akagara akati yatotamba boys kutaimira
mota yake tomukandira Spike paanopfuura neroad inoyi
akuda kutozviita munhu nakuseri I've aripasyd toda
kumuratidza. Victor akabva ati manje mota yacho
yanedzinenge 2days? Isiri kudarika Zi Range Rover Re
Green harisi kudarika pakaipa magen'a ..............Mike
akabvaati Manje Ini ndakatokuvara nzviri Serious kuti
ndinorapwa Ronda rakakura kudai ndotobvunzwa
mubvunzo after after mubvunzo saka pakaipa so its better
tirilaxee mhandu yedu toisota hazvinabasa.
Kuuya uya kwaiita Sharoe kuchipatara kwakandisimudzira
kuti ndikasire kupora nekuti karudo kaainge Oita pandiri
soo kairwadza paida aibuda muward akaisa muromo
mumhuno mafruits aaitenga ndainge ndisisamadye nekuti
Paida kahunhu kake kaainge kasisavimbike mufunge
nekuti ukaita jealousy kumunhu asina kumbobvira aku
proposer ndiko kurwara mukondombera brain asi
chandaiziva kuti Sharoe ndaifanirwa kumuudza nyaya
yangu yekumuda kubva kuman'a kusvika pachirebvu
ndainge ndada Gombo iri svura ndadya mhodzi Ya Trevor
To be Asi She devil Paida achaswotwa akarutsa ndikadiwa
chete Nasharoe haazoiti mamini mini aakuita ekuda kundi
Seducer this tym Afrikufoira chetePaida atamba
nemadhara anoziva zvaarikuita ndazongowona kwachena
Kune ndiripakufunganya muchipatara maisararika nahwo
hwema hwemapiritsi Vana Chiremba vanebasa hombe
kuchipatara ndakazoona Maiguru Vangu vakundibata
shoulder Sharoe akabva apinda pat
Ime ainge abata visit ya Six ndakabva ndakumbira
amaiguru vamboduda ndisare Nasharoe sezvo vana
Maiguru vaisada kunzwa kuti wamitisa vaida muroora
anouya nemuchato vakabva vaziva nyaya yacho
yavadzingirwa ............................?????

C u pachapter 6

End of 0Part 5

Thank u for support mafans.


+263 77 522 7112:
I Was Made For Loving You

Story By President Shizzle


Chapter 06

"Pakapinda sharoe achiuya pabed randaive ndiri


ndakanzwa Ropa rangu kumhanya ndichifunga kuti
mwanauyu ndomuudza sei nyaya yaigaro ndishungurudza
mumoyo mangu.sezvo chinhu chandainyanyotya
pavasikana kuudzwa mashoko nekuti mukwasha
ndikwanirei munongoziva vamwe vakadzi havadi kuudzwa
izvozvo vasingafungire unozoona kuti ko munhu
wandaitaura naye aimbova andifungireiko
nekunyararirwa kwaunoitirwa mufunge pans Sharoe
chainge chabaya chikatyokera kukuvarira mukati ndiko
kwaindinetsa regei Vakuru vakati mwana asingacheme
anofira mumbereko vaisanyepa zvaitongodawo ndochema
kuti vagondinzwa. Zve chatiwo Homu Chareva.Ndakabata
mawoko a Sharoe ayo aidziya kunge Fuse ndakamabata
ndikabva ndatarisa mumaziso chaimo ndikati.
Sharoe I've been waiting all my life To tell you this do you
mind if l will say it?
Don't mind to tell me Trevor am waiting with Curiosity?
I was made for Loving You Sharoe I love u sharoe
What?
Sharoe akabva abuda achimhanya muhospital zvekuti
kana Maiguru vangu vaive panze vakashamisika nazvoo
vamwe varwere vaive muward vakatoshamisika nazvo kuti
chainge chotora nzwimbo ini ndaitoti zvangu zvaita
ndisingazive kuti ndikutobhowa mwanasikana ini hangu
hapana zvandaizviitawo ndaitodawo kuti aitewo friend
yangu asipandaimuyeva ndaibva ndaona mai vevana
vangu moyo Wangu waibva waona Zororo ndikaona chiso
chengirozi inonzi Sharoe uyuu ndaitoona London ne New
York zvakabaka kuratidza kuti paitoita bright Future for
the 2 of us. Asi mubudiro waakaita ndiwo wakandipedza
mafuta. Ndakazongoti if she is mine l wait for right time
coz each moment l spent with sharoe was Simply
Wonderful to me.

'Trevor akangobuda chete ndoda kufighter kuva Amai


Mugadza ndomirirei hangu ini Paida ndini Wife Material
yaaitswaga saka hapana chekumirira Sharoe anotonyura
chete this tym ndotonoona maguys angu vatomupfuudze
nekuti ndikasdaro handifindakapinda pana Mr Trevor HR
kuseri mhani ndotoona kuti ndabva kuchipatara
ndatotaura ne Maguys timupfuudze zvipere nekuti Sharoe
ndakamuvengera Nyaya Ya Trevor iyoyi anotiwo isuu
hatidi kuendawo kumberi this time around l don't give a
damn for that (Snich) maya.ndakazofamba ndokuenda
kuchipatara kunoona Trevor ndainge ndamutengera
chidhori chakanzi getwellsoon my 1 & only Friend chaive
che Red.Chakandishamisa pandakapinda muchipatara
ndakukwidza masteps ndakasangana nasharoe ari
muspeed kudzika zvekuti Kune munhu akuuya haana
kumbobvira azviona ndakazongonzwa Foni yandainge
ndakabata ichinodonha kwakadaro pace randainge
ndakabereka rakadonha pamwe chete nefoni. Ndakanzwa
hasha ndikasvikodira Sharoe Gwati akaona Nyeredzi Foni
yainge yaparara Screen zvekusato tacha
ndakamukwapaidza Sharoe haana kumbodzorera akabva
azvininipisa ndokunhonga Foni yangu yainge yaita
marangwanda ndokundipa zvese Ne Pace Akati am Very
Sorry nezvaiitika pliz ndaida kumupa imwe yechi 2 mbama
ndazongonzwa ruoko rwangu rwabatwa nemumwe
mukomana aitobuda muchipatara akangoti hey stop this
Sharoe akangoti Mwari ndivo Vanoziva achienda zvake.
Mukomana akauya kuzobata ruoko rwangu akabva ati am
Anthony Chiradza this is my Business Card ndikati am
Paida ndichibva ndaonekana naye ndkazotarisa business
card rake ndikaona kuti Aive Ceo Vechivhanga Land
developers ndakangoti apa pakaipa ndichipinda muward
mainge muna Trevor airatidza kuti pane zvaimudya moyo
ndakabva ndamutambidza chidhori chinove chaakafarira.

"Mashoko andainge ndaudzwa ainge adya manonoko


ndaisatombozvifungira mufunge. Ndakatooshamiska kuti
ndizvo zvinhu zvaaifanirwa kugara ataura nguva ichiripo
akuchizvitaura ndazvibudisa mupfungwa zvakandibhowa
zvekusvika pakubuda muward yaainge ari asi
ndakazozvitongesawo ndega kuti ndangomhanyawo kuita
bvepfe Trevor anoda kupihwawo mukana ndomboona kuti
anodii pamwe unozoshora mbodza neino zvimbira type
dzana Trevor ndotype dzevanhu vanemaridzavo vakanzi
nashe huyai muiise musoro mushuga makumbo oiswa
muhupfu chaimo. Ainge akarongeka ini hangu ndainge
hangu ndichida mukomana wandoona asina chaainacho
tosimuka tese kwete Ava vane zvinhu zvavo.Asi musikana
anonzi Paida anemuyedzo ndainge ndisina kumbomuona
onditamba khaki mwari ndovanoziva nhare yangu yakabva
yatanga kurirandakatarisa wanikwe ndi.............................

Ndiyani ainge ofonera Sharoe

Zvakawanda Pa CR7

Ndimi Moita zviende kumberi mafans vanoda my group


link riripo join kana usingadi kusara pa this book

This tyme achamboti nonoke nebusy


End of Chapter 06
+263 77 522 7112:
I was Made For Loving You

Story by President Shizzle

Chapter 07

"Trevor ainge andityaira runhare Ini ndainge ndatove


mukombi yekudzokera kumba Foni yakaringer asi handina
kuidaira. Asi Trevor akaramba achi insister
ndakazopedzisira ndadzima runhare rwacho sezvo vanhu
vainge to drawer attention pafoni yandainge ndisingadaire
ndakasvika kumba kwedu Ku Borrowdale west
kwandaigara pfungwa dzichingopishana nenyaya ya
Trevor iyi yainge yonditemesa musoro nekuti ini na
Maxwell tainge tisati tarambana saka zvaitoda kutanga
ndavharisa kumwe ndochifunga kuti ukoo kwandoda
kujoiner ndobudirira here nekuti hazvizodi kuzochema
waita wrong choice yako pakuroorwa coz marriage it's a
life time thing. zvinoda kudzamisa pfungwa pakumaker
decision coz u end up saying ndakaita mistake but
kutongogara nemistake yako. Vakuru vakati Anebenzi
ndiye anerake Trevor raitove Benzi rangu pachokwadi
unozama kuti no but he is aguy of pressing on Vasikana
tombotangawo toda kuona kuti Bamboo Vari Serious here
nekuti Kune zvimwe zvikomana chaunoti me 2 asi
wozojumana nacho chakakotyekerwa pa Heji chichidyiwa
mahalf ndochinhu chandainyanyotya pavanhu vanonzi
Vakomana Ava nekuti hapana paunoona nzwarakamwe
yechirume kana kuti Shirirume nekuti vamwe vanokusvipa
sebubblegum risisanake. wova single mother ndaigaro
zviramba mumunyengetero yandaiita kuyouth kuti mwari
ndipeiwo chaiye chaiye wandozochengetana naye
kweupenyu hwese. Ndakapinda mumba mandaigara sezvo
imba yainge iri yevabereki ndainge ndine Kamuri rangu
randaishandisa. Parikurongeka aiwa ndokwaive kubasa l
make sure kuti everything is in order coz Vamwe vasikana
vezera rangu unotambirwa nenhunzi zvisuro hatichature
urihuchapa. Ndakabatidza mbozhanhare asi
payakangobaka ndakaiisa panzeve ndisina kutombotarira
kuti ndiyani ainge afona ndakafona ndigonzwa inzwi Ra
Trevor
:heloo my dear asi wanditsamwira here zvawainge
wadzima Foni?
:maya shazz nyayadzawanga uchitaura dzobhowa
ndemukomana Wangu?
:Usandirwadzisewo Sharon Uripakati pemoyowangu (Try
me) handidi mukomana wako asi iwewe ndoda uve my
First Lady honey
:Stop that nonsense Trevor am gonna'''''''''
Ndakabva ndadambura runhare rwake chimbi chimbi asi
umwe moyo wakabva wati uneshuwa here nezvawaita
ndainge ndave confused mufunge nekuti Trevor was on fire
Over me.

Sharon haasi serious mufunge chinguri ndabvirira


kumufonera Foni anga achikata l will fight till l win my
(Stargezer) no matter wat it takes l will sail my sweet
Tongue till she say a yes koz nyuchi dzisina maruva
dzakaita sana paida handingadzisiye dzichivakira
matendere adzo mumusoro mangu ndozoguma
ndadoserwa apo abva atenga chimudhori chekundiisa
mudhuze ii Paida is So Dangerous is Campaign to be
Amai Mugadza she want to express that she gotta wat it
takes l should be more careful before am over tarken by
her intentions Love is Blind You Know pakabva pauya
Nurse wechidiki ainzi Tariro akati nhy VaMugadza
Makunzwa sei ? ndikati am feeling better now asi
kutariswa kwandainge ndakaitwa Na Tariro kwainge
kunezvakwaireva chaiko.
Ndakazongoti zvimwe panewaafananidzira ndikazvisiya
zvakadaro nekuti zvimwe unozotangisa muyedzo
ndakazoerekana ndarara hangu makuseni
ndasvikopeputswa Tariro uyo ainge atomukira paduty rake
rekuona kuti Varwere varisei smile yaakandipa
yakandishamisa akazoerekana atsweta kabepa kake
panaive ndiri ndokubuda achienda kuno attender vamwe
vaive mune another ward kainge kakanzi pliz call me this
is my number ndakapererwa kuti ndokwayave nyaya
yacho.
Kubva nditange kushanda paparirenyatwa zvandakaona
Patient inonzi Trevor Mugadza ii ndainge ndongonzwa
kurerukirwa ndaitoshaya kuti ndomudzawo sei if he mind
to be my friend coz aingove munhu akasununguka
ndaingoti ndikatanga kutaura naye ndainzwa kamwe ka
sort of joy inside me ndakatoona kuti ndikasafunga
zvekuita chop chop nekuti Va Mugadza mangwana
ndopavai discharge saka ndakabva ndaita simple plan
yekuvanyorera a note ine Foni number dzangu kuti ti linke
Ndakangokasiya pa Fruit Table ndikabva ndabuda hangu
asi shasha yasara ikakaona chete.
Se Management toda kugara pasi tibvise Suspension
yandainge ndapa Mr Mugadza sezvo taida kuti pavano
discharge vodzoka kubasa nekuti mushandiro wa Paida
waindisembura munhu akati shande APA Whatsapp chat
nguva yebasa manje akashanda achidaro ndomu
suspender akanofudza mombe kumusha vamwe
vakushuvirawo kushanda vakutomashaya mabasa mumwe
munhu ndopaanopinda pa whatsapp chat akupinda ne
Gejo muchechi manje Paida ngaazive kuti Pano akavinga
basa kana ada zvewhatsapp ngaaende kumba oswera
achibaya baya hake Foni ndozvonetsera Generation yako
mazuwano ukada kumuudza kuti ukumamira anobva waita
kunge wamuvenga asi tetichida kudakubetserana zveee
kuti zvinhu zvisazoendewo zviiine ma mistakes maiziva.

Meet us Pa Chapter 8 Tmrw na 12 PM


Choda kuverengwa chakaipa chi 8 koz Tariro uyu akuda
kudii Na Trevor zvaasiya Foni number

Ko Sharoe achabvuma Proposal ya Trevor here.

Vanoda my group Join Link riripamsoro

End of Chapter 7
+263 77 522 7112
I Was Made For Loving You

Story By

President Shizzle

CHAPTER 08
" Pachokwadi ndainge ndagarwa bumper na Trevor nekuti
nguva nenguva aingoswero ndifonera kuti wapapi nenyaya
yangu this tym ainge avekuratidza kuti this guy is serious
about having a relationship with me so l was delaying the
game for Trevor koo rudo harungodi kuwira
kaanunozowira mumarriage inematope saka ndaida
kutanga kunzwa kuti mwari vanotii first maiziva.
Kuchiedza ndakamukira kwa Mfundisi kuno cleaner
mahwindo hangu ndichitswaga Nyasha sezvo ndaipinda
AFM nguva dzandakapedza ndakaona app msg yakapinda
yaibva kuna Trevor Yaiti
Hie dia nhs ndikudischarger huya pliz?
am kinda of busy but am on my way dea
@11 ndendabuditswa pliz be fast
ok
Ndakapedza chop chop zvandaiita kuti ndigokasira kubata
time yekuenda kuhospital kwainge kuina Trevor ndakabva
kwamufundisi ndiri museve ndichisvika kumba ndakaona
pamba Paine zikumota zi Vw Amarok reblack rakaparker
but ndakatoshaya kuti ndiyani ainge ondishanyira
ndichingosvika padhuze ndakaona ma Window ari tinted
achitanga kuvhurwa ndikatarisa kuona ingaa ndi Maxwell
my Guy ndakamhanya kupassenger side zvikanzi NHS
ndakuita surprise baby this is Our New Car Darlie
ndakpererwa kuti nenguva diki diki Maxwell ainge otenga
zimota ririkuseri kudaro ainge awanepi mari yekuritenga
uyu ndiye mwari anosimudza marombe kubva muguruva.
Maxwell akabva ati baby ndakushanda mu Stanbic bank as
Bank Manager waiziva baby's akabva andikisa pahuma
ndikati baby's ndine Khule yangu iku discharge pa
Parirenyatwa ndikuda kunoitora so can u drop me in town
noo ndoda kuiwonawo khule yako iyoyo Mota yakabva
yarohwa kuisa Gumbo mutank.

"Koooo Sharoe zvaari kunonoka kwakanaka here


achadzibata here tym dzekunoo here Mwana uyu ndiye
wandoda. nguva iyi
Ndainge ndakabata kabepa kainge Kaine Foni number
dzaTariro ndichidziisa mufoni Tariro akabva auya
paakapinda ndakabva nda biper number dzake zvimwe
unogona kupihwa number dzepa Pole ndakaona shuwa
ndidzo mwanasikana akutswaga Foni yake ndikati Madam
don't mind it's me who is calling that's my number akabva
adzisaver akaita kakudakutaridza Foni kwandiri
dzikasaver kunzi Honey ndikatovhunduka kuti ndoipi
yakuitwa na Tarri ndokwakuenda mtambo wacho munhu
akumbira kuita friend yangu asi munhu akutoratidza
kutondida Vasikana vainge vondiisa pamuyedzo sa Josefa
akapinzwa busy nemukadzi WaPotifa ndakatoona kuti
ayaa avee amwee mahwani atangisaa asi ini moyowangu
waida Sharon agove Mai Mugadza ndakazoona Sharoe
wandaifunga akadungamidzana nemurume mutete
vachinanga kwandaive ndakabva ndamenya serious
inorehwa nevapfanha vemazuwano kuti kuruma Bonzo
nekuti muchinda ainge anaSharoe aive ndiye chete
akunditadzisa kupinda machena sharoe akabva ati this is
Maxwell my boyfriend & This is Trevor My Uncle ndikati
hangu its nice to meet you asi mumoyo ndaisatombofara
zvachose ndichiona that guy nekuti aitenge andisembura
kubva ndimuone achipinda.
Doctor vakazouya vakandi Discharge kuti ndiyende kumba
asi ndaisavanemufaro nekuona munhu anonzi Maxwell
ndakafamba takananga Ku carpark ndokusangana
nevekubasa vaiti Ceo Mukomberanwa Paida nevamwe WO
vainge vauyiwa nayo uyuwo Paida aive nemaruva aainge
akabata hake akasvika achindipa hug achindipa bunch of
flowers achida kubhohwesa ana Sharoe Paida was too fast
ndaisatodawo kumupa hug asi vanhu vandaive nawo
vainge vakatarisa koz Paida ainge akavhura maoko
chaiwo.

Nhs ndonomupa maruva andamutengera ayaa tione kuti


Kuti anoramba here iyee Trevor wachoo ndakabva
ndajambira mu Range Rover ra Ceo kuti tiende kunooona
va Mugadza Ku hospital kuti varisei havo ndakabuda
mumota ndiri my full spd hangu ndakazomira ndaona
Trevor aine vanhu 2 vaaive anavo akananga Ku Amarok
ndakabva ndaziva musikana Aida kunovhura door are
Amroki kuti aive Paida Wandakapa Gwati andiputsira
Foni yangu pandakaona vakatarisa kwandaive nakaziva
kuti vainge vationa tese ndakabva ndafunga kunomhanyira
Trevor uyaa ndakavhura maoko chaiwo asi Trevor
akamboita we asiri kudawo auya uya iya ndakasvika
ndikamupa hangaiwa Sharoe achiita kunge akutarisa
kuside pamwe zvakamubhowa zvandakaita pandakatarisa
kwaive kune musiwo unobuda nevanhu muchipatara
ndakaona Nurse ainge ari kaBlack Beauty akatarisa
Kwataive na Trevor akapaziso raiita kunge hameno
hameno ndakatoshaya kuti Trevor akudiwa futi nemNurse
futi here asi ave dhodhi rakuteverwa nenhunzi here nhy.

Asi Paida akaoma mufunge abva atoda kuratidza kuti she


Loves Trevor nekubva atotenga maruva kudaro iiiii izvi
zvakaoma izviii zvotoda Vakuru vanofamba naJesu Chaivo
nekuti Vasikana vakumupinza busy sa Ceo kungotarisa
kuti zvikufambasei. l don't mind other's business asi
vakadanana pabasa Haaa mumwee anoswera akufudza
mombe kumusha uku ndamufire tichangoona kunowira
tswimbo nedohwe hedu isuu tirikuma terrace hedu
ndakazoona mumwe Nurse akaratidzika kubhohwekana
nehug ya Paida iiiiii Trevor ainge aine chekuita na Nurse
uyu akatozorova u turn abhohwekana nehug iyaaaa
Ndakabva ndati............................

End of Chapter 8 See You Pa Nine apa ndopanenharo


manje
Keep supporting this book mafans love u mafans
Amen Join Group vanoda link riripamusoro
+263 77 522 7112:

I Was Made For Loving You

Story By President Shizzle

Chapter 09

"Ndakaonekana nemaboss angu ndokupinda mu Amarok


yaa Maxwell sezvo range Rover rangu raive
richiongororwa Ku (VID)kuti chii chainge chakonzeresa
accident iyi Max airova mota zvemhando zvekuti nguvadiki
diki taive tava Pa Borrowdale race course patakasvika
pamarobots ndakabva ndarangarira Paive nechisango
paida kubhinywa Sharoe. Misodzi yangu yakabva yatanga
kuyerera kuti kosei Sharoe wandakabatsira asingadi
kundipawo rudo ondipembedzawo
Here hubhachura haunakidze uyu mubika ndega. Life
yechibhachura kungodhumira pese pese usina
anokuratidza direction yaukufamba Awana Mukadzi
Awana chinhu chakanaka ndochandaive kudawo Mai
Vangu vaone Muroora nguva yakadai ndoyandainge
ndakamirira muupenyu hwangu zvana Paida nana Tariro
ndaisamboda hangu ini ndodakuitawo zvikudiwa nemoyo
kana kuti (umutima wanga) Chorwadza kurambwa
newaunoda unoita semunhu akamirira zuva rekufa nekuti
unoona zvinhu sezviri kukunonokera iwewe unenge uchida
kuti zviite fast asi Pana sharoe ndainge ndagadzirira
kuzvuva sanzu rinonzi Max iri raindishaisa mukana
wekupinda machena pa Mwana akanaka kudai.Regei
Vakuru Vakati Anokuda anozviratidza nemeso meso
yandaiona ndoana Paida vaiswera vachindipa ma actings
ekundipa mahug Kuda kuratidza kuti Pane something
manje airasa handicheukire tswina dzakadaro maiziva
mumota yaa Max ndaingove ndakanyarara hangu kuti Zii
ndisingadi kutaura ndakazongoona Sharoe aribusy
kudirector Max road inonanga kumbakwangu ini
ndakayeva hangu patakasvika pa Mansion rangu riri Mu
Borrowdale brook ndakaona Max achiyemura imbayangu
akati wat a nice house manje aiyemura hake imba ine 25
rooms yaunogara wega pasina anokuti dady mamukasei
hainakidze kugara pakaenda anasharoe pakabva pauya
friend yangu yandakadzidza nayo inonzi Bernard. Bernard
akauya kuswimming pool kwandainge hangu
ndichituhwina asi Ben akakaona kuti chisoo changu
hachina mufaro.kubva asvike pamba pangu Akati ko nhy
shamwari indava kusafara chiii chikunetsa ndikati hapana
zvikanzi pliz don't lie to me ndikati sure Ben Akati a
problem shared is a problem solved ndakaona kuti
shamwari yangu Ben ainge asimbirira Kuda kuziva
zvaindidya moyo ndikati Wangu ndemusikana wandoda
but anemukomana wake ndakaita accident musikana uyu
pese aiuya kuzondiona ndikamudza zvese Akati wait
Sahwie if she all yours she won't turn down your Proposal.
Ndikati sahwie munhu akandishainira uyu ndoenda Kune
Vakundida koz ndakuita sendichaputika nerudo
achindivharira panze mufunge hazvinakidze izvozvo kana
kurara haurare uchiti dai bby achinja moyo andinzwawo.
Asi Trevor haaite ndaitodawo kumuperekedzawo
kunomusiya nemota yangu ndonomusiya hake
kumbakwake ne (ML) yangu ndakuona akumhanyirwa
netunyuchi tusinawo kana basa Ndakapererwa ndichiona
Trevor akambundikirwa neuno musikana airatidza kuti
ainge aine bhaghidhi redzungu Vanhu vaakauya navo
vamwe Mai Vechikuru vairatidza kushamisika nazvo kuti
zvikumbofamba sei zvikutorawo nzwimbo. Asi ini Tarie
ndakanaka wani koseiwo Trevor asiri kuona ka Black
Beauty karimandiri aka iii apa pakaipa manje Akushoreiko
nhy mubvunzo iyi yaitoda iye Trevor wachoo
achizvipindurira mbune zviri zvekuumbwa Mwari vainge
vatora Nguva yavo vachiumba kana Madoctor echirume
aizamakuda kundinyenga asi ndaisunga Play kuti (No)
yakaimbwa na Megan Trainor. Zvimwe achandionawo
ndakabva ndatora Foni yangu mu pace ndimufonere kuti
ndinzwe kuti ainge asvika mushe here kumba.
hallo dia
me gud n u
am OK wasvika bhoo here
Yaaa wakasara bhoo here
nice wknd ndoda kuuya kuzokuona if you are free indeed.
no problem will just link up
Ndakabva ndakata Foni ndikaziva kuti apa Zvaita manje.

Iiiii Musikana anonzi Paida she is on fire now days iii Hug
yaakapa Trevor umm eish akutouya heavy manje ndodiiko
apo ndakamujamuka ndichida kuramba ndiine
Relationship yangu na Maxwell asi Pachokwadi My Heart
is Attached too Trevor but eish l can't cross the bridge to
go kwaari nekuda kwe Serious relationship na Max. nekuti
even nurse we Parirenyatwa aitoratidzawo kuti ane
mafellings na Trevor nekuti kushama kwaakaita hakusi
kwega Trevor aitenge atowandirwa zvekudaro nemabby
nguva diki diki yandainge ndatanga kumuziva apapakaipa
manje Iiii ndofanirwa kuita kuti wknd ndimuone chete
haazvinetsi mhani.
Ndakabva ndaenda pa app ndokumuisira app msg kuti
aive sei nemuviri akati is now strong ndikati satday ndaida
tionane akati no problem?

"Chero zvavo vana Sharoe vakasvotwa nehug yandakapa


Trevor Lady P apinda machena Lady Paida anosvotwa
neni anotorutsa chete nekuti ndisu type dzakazvarwa
dzakangodaro dzisingaregere kuita hunhu hwadzo pana
Trevor havafi vakandibvisa ndotoda grader chairo.
Panodzoka Trevor kubasa ndikutoda kumuisira
kamupfuhwira kandakapuhwa na Mbuya Jambajecha kuti
anyatsondida ndichavaburitsa mugame ana Sharoe Lady P
mungavadii neskiri ravo rechifinhu ndokubasa kwangu
ndozvandatosikirwa na Jehovha kuti Paida enda
unofinhura avo vakuda kujamba maspeaker ko
handikendenge kuita yandirikugaya mublangata imomu.
End of Chapter 9

Toonana pa 10

Ndokudai Mafans your Support is the


+263 77 522 7112:

I Was Made for Loving You

Story By President Shizzle

Chapter 10

"My wish was to take this chance to have Sharon as my


better half.so l was wishing that 1 day my hand will be
clutched in hers nekuti pese pandaive ndiye munhu akange
avepedo pedo mupfungwa dzangu ndaingoda kuti Sharoe
akunde murudo rwangu. Saka ndainge ndamirira wknd
kuti toonana hedu akarambisisa zvaingove better kuti
#dzangu o deleta hake nekuti zvezvakona n'anga murapwa
achida saka ukada kumanikidzira rudo its better to let it go
God will Provide ndakazonzwa Guard akufona ari Ku
Gate ndakadongorera nepawindow ye mansion yangu
ndiyani ainge auya ndakaona Guard akuvhurira Zi
Amarok ndakabva ndaita zvekufananidza neyainge yauya
kuzonditora kuchipatara ndikatoona zvairi imwechete
yainge yauya ndakashamisika kuti chii chikumboda kutora
nzwimbo ndakadzika Pasi ndichienda kwaive nemota
ndichisvika zvikanzi Trevor l have seen your app msg
ukudakuendakupi ne Satday na Baby
wangu.wakandinyepera kuti uri Sekuru vake manje Max
haana kubva kumusha zuro ndikuone uina baby wangu
ndokupwanyira mutara pfanha mi ndakanzwa hasha
dzichiuya soo zvekuti ndakagaya kunotora Machete rangu
ndibhembe Tsaga Ava vaitotaura nonsense dzavo muyard
mangu.ndakazvidzora ndikati her girl is the 1 akakumbira
kundiona saka dai abvunza musikana wake kuti wat the
meaning of this. Ndozvakaipira kubata Foni yemusikana
wako uchida kutswaga makudo mugomo unomawana neku
slimmer kwa Max anosara musoro chete akada kuwanza
kufunga nezvana Sharoe Kuti hee akumbotauranani ari
online asingataure neni zvimwe ndezvekusiya zvakadaro
nekuti dzimweu shiri dzine muriro wadzo
hadziuregi.ndakabva ndati kuna Max Pliz leave my house?
Shasha yakabva yasvava semuriwo wemhodzi achipinda
muzimota rake zi Amaroki akabuda akaita kutsika mota
mafuta zvekutoti ini naGuard tasara takangodzwokorana
semabhiridha apererwa ne cement mufungey munhu obva
kwese Kuda kutaurisa pamba pemunhu Iye achitadza
kusungirira imbwa yake yakungohukurira wese wese
ndeyekwake iyoo ndakabva ndapinda ndokuvhura app
yangu ndione kuti hapana vanhu veku Farm kwangu riri
kumazowe Vainditswaga ndakavhura app ndokuona Msg
yaibva kuna Ceo yaiti
Mr Mugadza kana Makunzwa zvakana huyai kubasa you
are no longer suspended we have resolved the issue with
board of Directors so we terminated the suspension with
immediate effect from today!
Thank you Madam may the Lord bless you abundantly
you are welcome.
Mwari vainge vandirwira mufunge kubasa ndainge
ndodzokera ndainzwa kufara mukati me wangu moyo

"Apa Ceo Vazogona manje pakudzosa Trevor pabasa


manje this time vatichatanisa APA Vazoirasa Lady P Na
Trevor Mugadza vangatidii takupengesana ne love muno
mu office Vachasvotwa vakarutsa ndichita wekubereka
pano paNicoz Diamond zvichatobuda muma H metro kuti
Hot Secretary @Nicoz Diamond alongside boss Gore rino
ndatomugadzirira horror zvekuti Ana Sharoe Mahure ake
ayoo achamakanganwa ndamumedza ndini nditori neyese
notovapedzera ndakadanana nemaboss Ku Microfinance
uko ndichiita iyaa yekuti Panorambwa mumwe Mumwe
obva atodiwa Maboss ndakamazadza Chirwere chakadai
kuuya ichi Chemukondombera ndakachipiwa na Sekuru
vangu vachinditira Sacrifice yemabusiness sezvo n'anga
yakavapa mushonga iwowo yakavati ukarara nemwana
Musikana anemakore masere Kubva ipapo ndainge
ndongorwarwa pese pese. ndipo pakazoitwa program
yaiitwa muzvikoro yekutorwa kweropa neve National
Blood Transfusion ndiri pa Queen Elizabeth Girls high
muHarare ndovakanditora ropa sezvo ndaidawo Ku
Donated rangu 1of the Counsellors akandiudza kuti ropa
rangu rakawanikwa riine Shuramatongo ndakadikitira asi
painge pasina yekuita manje apa saka zvakandirwadza
kuti shuwa hupenyu hwangu hwave hwekujusa kunge ma
prepaid electricity.nechikafu chandaiwana ndainge ndine
mahips anodai kuyemurwa Nevanhurume ayaa saka
hapana aizombofungira kuti matsotsi ainge akandirova
saka ndakarwadziwa kuti ndofa ndega saka ndainge
ndotenderedza chirwere semusic ya Jah Prayzah
ndaidawo kufawo nevangu vakawanda saka pandakapihwa
basa pa Nicoz Diamond ndopandakaonawo that
Handsome Trevor achiratidza kuzvida saka
ndakangosvotwawo naye ndikati uyu ndoda kumuitawo
Chigulani Timwe Tese Mapiritsi e shuramatongo
haanakidzi kumanwa wega ayaaa.
"Ndaingoti ndikatarisa foto ra Trevor ndainzwa moyo
wangu kufarawo ndichitiwo APA ndazoonawo munhu
wandainge ndakamirira for all the long nekuti ndaigaro
murota munhurume anechiso sechake saka ndaitonzwa
kuti zvangu ini Tarrie zvaita kumupa number yaivewo way
yekuti tigare tichitswagana. Sechinhu chaunenge
wakmirira chaitoda kubatisiswa vamwe vanoti midzimu
haipe kaviri asi mongozivawo kuti pamunhu waunenge
uchida unotoona makudo mamwe achizama kukutanhira
Chibage chako lyk chimusikana chakapa Trevor hug
ndaitoda ground nacho kuti siirai vakuda kupfeka hembe
nekudzitenga kwete imi ma window shopper anongouya
achibatabata asingazotenge odakuti tidye ave marutsi haa
Maya mangwana in satday ndotoda kupfeka long dress
rangu rakareba rekuti akaona anobva anzwa mashoko
matatu mumusoro make haaa Gore rinoo tichaonerera
Rudo irwu ruchatimburudzisa kani wee?
"Asi Rudo ndimambara unomboita sedzinotendera musoro
ndozvandaiswera ndichiita na Max tiri Pa Unity Square
hedu yaingove Huyai muone rudo here tichipana rudo
heavy time ndopakavibrater Foni yangu ndakaona kuti
panapa ndiyani akuda kuti disturber tichidya muchero
werudo kudai ndakenda pa app apo Max ainge
akadzwokora foniyangu yainge yapinda app msg yaibva
kuna Trevor Haiti
plizz Sharon l need to see you early in the morning or on
10am plizz do me a favour dea?
Max akaiona akabva ati what the meaning of this nhy
Sharoe ndikati zvaurikuona izvozvo? Maxwell akabva
andipa Zenya ndikati........................................
Sharon akazotii manje?
Trevor achaonana na Trevor here
Paida achadanana na Trevor here
Trevor achadzoka rinhi kubasa

Ngatisanganei pa 11 (I Was Made For Loving You)


+263 77 522 7112:

I Was Made For Loving You

Story By President Shizzle

Chapter 11

Ndakabva ndaudza Maxwell kuti it's over between us


nekundirova kwaainge aita Max aitova short tempered
hasha dzaainge ondiitira mufunge dzaisava dzega kubva
ndidananane naye ainge asati ambondirova asi musi uyu
gava rainge radambura musungo ndakasimuka mu Africa
Unity Square ndirimhepo chaiyo ndichitiza Maxwell ainge
ogwadama pasi achikumbira ruregerero. ruregerero
rwairevei kwandiri Vanhu vainge Vongotarisa vamwe
ndivo vainge vakabata mafoni vachitora ma snap
ekupfugama kwa Max ndakatoti its too late ndakananga
kumakombi ekumba ndainge ndatsamwa zvikuru number
dza Max ndakabva NDA deleter chop chop ndainge
ndisisade kunzwa nezvake futi ungarove munhu wausina
kuroora here Varume kuchengera kwacho kunozonyanya
munhu wausina kuendesera mari yako yeroora
wakumutokonya imba yakadaro haimire ne Masorry after
Sorry ndakatoona kuti kungovharisa madeals achoo
ndoshasha chinhu chandainge ndakamaka kurohwa haa
unenge wandibhowa ipapo unenge watamba nemadhaka
pasina vhati. Ndakaisa Foni pacharger hangu kuti
ndikotsire stress dzana max dzainge dzatenderedza musoro
Wangu ndopandakona Foni yakufonwa ndakatarisa
number ndokuona kuti i number dza Max dzifona sezvo
ndaidziziva nemusoro ndakakata call yake kusvika
atangazve kufona ndakabva ndadzima Foni yacho
zvekunetswa ndaisatomboda.
Asi Hasha dzangu dzakaoma ndazoerekana ndarova
musikana Wangu apa Sharoe azondicheka nerakagomara
mubaby uyu neamadiro andomuita haa Trevor anehutsinye
ndotoda kumupfuura nepfuti pandomuona patosangana
hapazvarwe mwana anevhudzi akutoenda nemusikana
Wangu Makore mangani andapedza ndichidanana na
Sharoe lhave been so Loyal to this girl kana sex we have
been telling each other kuti kana taroorana manje nemari
dzangu dzaaidya manje Chemahara Mushana am here to
stay they gonna se my Dark side this fools ndonzi Max
ndakabva mu Unity square trouse rakazara madhaka
mumabvi ndichienda kumota
Vanhu vaitora mafoto pandaipfugamira sharoe vanhu
kuda zvinhu kunge paperbag kudaro haandakaita chi don't
care ndichirova Amarok ndakananga kumba kwangu
ndakasviko zviwidza pamubhedza nehasha
ndopandakafonera Sharoe asi number dzisadairwa aibva
atoka hake kusvika kamukadzi Kaye keku Econet Kanoti
your dialed number is not available.
Pakabuda zuva ndakabva ndagadzirira kunoona Sharoe
sezvo ndaive ne appointment naye ndakabva ndabuda
kunotswaka mota yekuzoshandisa sezvo Range Rover
rainge risisafambe nekuti ndainge ndabondera naro
mutsaona ndakachooser ka Mercedes Benz kanobvisika
denga kandaizoda kugara tiri 2, Na Sharoe
ndokandakatora mugarage ndakananga kuborrowdale
west ndakaruma bhonzo hangu ndaida kuziva pamba
paaigara chaipo ndakabva ndabuda ndichimhanyisa Mota
zvemufast &furious ndaingonotexta kuti ndakusvika
ndasvika pana Sharoe chakandishamisa 1 Dama rainge
rakazvimba ndakabva ndamudza kuti ndiyani ainge aita
izvii zvikanzi ndiMax Hasha dzandakanzwa ipapo kuti
muchinda uyu anotosvotwa moyo nekuda kwe chat
yandainge ndasendera Sharoe munhu uyu ndaitoda
kumbomubata maparts kuti asajairira vakadzi. Ndakabva
ndasimuka na Sharoe takananga hedu Ku Greenwood park
takasvikopinda mukati hedu ndopandakaona red
roseraibhuruma ndakabva ndaenda pariri ndokuri Tanha
ndokuti kuna Sharoe I have been waiting for this moment
to tell you wants again my dream for you Sharoe I love
You Unconditionally ndichimutambidza ruva randainge
ndamutanhira Sharoe akashaya mhinduro yekundipa
mwanasikana akazongoerekana andimbundira ndokuti.
Trevor Pliz Don't Scar this Young Heart Of mine I love
you 2 .......... Ndichinzwa mashoko aiburitswa na Sharo
moyo Wangu wakaita kumerera sooo in ndakabva
ndamubereka Sharoe ndakatozoshaya mbereko
yekumuberekesa vanhu vaiona vaingoti vanodanana zvavo
vana Ava Trevor Mugadza ainge apindawo machena
kudiwa nemwanasikana wandaigarorota zvekuti Max
ndainge ndamutsikira mutsagi this time ainge atamba na
Nyamukuruza. Ndiripakati pekufara ma msg e app aipinda
apinda zvee asi ndaima ignore sezvo ndaive ndadiwa
nemunhu wandoda sandikunakidza kwazvoita izvozvo
kudiwa nesponono.
"Asi chii nhai nhas wese Clever Haana kubvira
anditswagawo sandikubhowa koita wknd uku
akukanganwa Lady P here imi ma1 ndopandakabata tab
yangu nditswage Trevor ndopandaona kuti ainge
anekanguva abva online ndopandakati Trevor am so into
you lcant get you out of my head since the day l Started
seeing you asi msg yakaratidza kutika pamwe
yaisaverengwa Nxaa Trevor ainge akundipedza mafuta
nekusadaira machats angu andaitaura tuma swty
Nothings zve kuti chikomana bigii chinakirwe
ndopandakona kuti ndaitaura ndega apa pandoonera
Sharoe chete ndoda kumudzura weave iririmumusoro
hazvishamise chiina Trevor soo nxaa.

End of Chapter 11

Ngazviende Mberi apoo


+263 77 522 7112:

I Was Made For Loving You


Story By President Shizzle

Chapter 12

" Kupinda mudziva rerudo kwandainge ndaita na Sharoe


kwakazadzikisa mufaro mumoyo mangu chinova chinhu
chandaishuwira kwehupenyu hwese kuvawo nemunhu
anondiudzawokuti I love you 2. Ndaimbenge
ndambodanana Nana Samantha Nana Sally vese Ava
Havana kumbobvira vazadzikisa mufaro wandainzwa
mumoyo mangu semzadzikisirwo awaiitwa Na Sharoe
ndainzwa sendave Ku Dubai ne ku Beijing iii rudo
runodhomotsa Mwari vakange vavaona kuti Vanhu
Ngavadiwe nerudo vainge vagona mufunge ndainge
ndotapirirwa naro sehuchi hwegonera.Ndakabva
ndafonera Amai Vangu ipapo ndichida kuvaudza good
news asi Foni yakamboita seisiri kudairwa ndikazonzwa
yachidairwa.
Hallo Moms murisei?
am gud urisei Mwanangu?
ndirbhoo moms ndoda kuzouya ikoko wknd ndoda
kumboku Surprise moms?
Neiko Mwanangu chaunoda kuti surprise nacho?
Dont mind moms
Ndichibva ndadambura nhare ndichiigadzika pasi
ndikaona yo vibrater zvekare.
Ndikaona kuti yaive app msg ndakabva ndaivhura
ndokuona zvairi kubva kuna Tarie ndakamboda Ku ignowa
ndokuzoivhura ndikaona yakanzi ndakakumirira
PaKarigamombe.
Itaa chop chop chop shazz iii ndakatopererwa kuti Tarrie
akumbovavarirei chaizvo mufunge ndakabva ndati
ndokuvinga ndikapedza zvandikuita akabva ati (K)
ndakabva ndangopinda muwardrobe mangu ndikanotora
heavy Casual altfit yekupfeka yaindigara sendakazvarwa
nayo kokuchena ndokwandaiziva kana park pakudresser
uchinomeeta a Lady ldress to embrace ndakananga
kuGarage ndikanotora kaBenzi Ka Mota kangu kasina
Denga ndokukapinza mugate ndikasiya ndaudza Guard
kuti Pakauya munhu usamuvhurire Gate.
"Kwakanaka here kwaendwa naboss vakarova smarts
rekumberi imi mazuwano vakuchena too bad havasi
kudzora tswimbo pakubata Smarts vakurova heavy smarts
kana riri Baby rakadiwa na Boss iri Rakuzoisa Musoro
Mushuga makumbo muhupfu chaimo nekuti Boss vangu
Mari Vanadzo havasi munhu Wekutamba naye (HR)
Ndotodemba Chandaitema maTeacher me Rekeni
Ndichitevedzera ana Tapiwa Gwashavanu
Vaisatombotakura book zvaro chavo kwaive kuita
msikanzwa pachikoro Headmaster wedu We Pa
Zengeza3high Vanyabadza KuChitungwiza
kwandakambogara vainge voshungurudzika nesu zvekuti
takaswera takuvharirwa Ku Kamba nemapurisa
tichirohwa nekuti tainge tanetsa pachikoro we
shuramatongo ndaingoti ndikarangarira nguva
yandakatambisa mufunge misodzi yaibva yatanga kuyerera
chaiko kuti nhasi ndakuvhurira Va Pfanha ana Trevor
Gate Life Ain't Fair Pachokwadi Chandakaona
muhupenyu shingirira mwari havasi Benzi kutambura
kwako vanokuona rimwe zuva Vanokupa. Misodzi
yaiyerera zvayo kuti mhokoto ndichiedza kurangarira
nguva yandainge ndatambisa ndichiti ndikufixer vadzidzisi
vanova vanhu vane life yavo vaizamawo kubuider
yanguwo kuti iyende. Kumberiwo. Ndakazongonzwa imwe
mota yainge yanekanguva ichiridza Huta yakamira pagate
makabva mabuda umwe murume ainge akapfeka ka verse
kairatidza mazichest panze akabva ati Ka Stupit kanonzi
Trevor Karikupi ndikati abuda uyu.........zvikanzi aendepi
ndikati angobuda handizive kwaaenda rule riya
parakatendeuka ndakabva ndaona kumashure kwake kuine
Pfuti Yerwudzi rwe Pistol ndakabva ndaona kuti APA
pakaipa boss vakapareyiko zvanoratidza kuti Vakuda
kutourayiwa apa panenyaya manje ndakabva ndatora
nhare yangu kambudzi ke Huawei. Ndikasenda Msg kuti
boss mukasike kudzoka hakuna kumira mushe.

Ndakaenda pana Karigamombe pandainge ndakamirirwa


na Tarrie haa mwana wanga akachena hake kuita
hweshwa inemambava ayo ndipo paakati Aida tiende
mujoiner ndakabva ndati ko ngatiende nemota yake nekuti
kangu kaigona kuzondipinzisa ma1 ndikaonekwa na
Sharoe daka ndakangobva ndakasiya ipapo
ndokunanaidzana nechisikana chainge chandieedza
chisikana chakarova mota ndipo patakaenda hedu mu
joina kuenda kunodya mudenga Tarrie ndiye akabva
aenda kunotenga zvese zvekudya tikatanga hedu kudya
tichititaura hedu nyaya ko Taigotyei Tarrie break the
silence akabva ati Trevor Iwant to Know You better! Shaz
unemusikana here koz ini ndokuda hangu Ahh wat Tarrie
zvakandishamisa zvaitaurwa nemwana uyu
ndaisambozvitarisira kuti Vakadzi Vanotonyenga ndaitoti
Tarii ainge ati Aida tive mashamwari manje ini ndainge
ndakudanana na Sharon saka Tarrie ainge akundipinza
ma1 Tarrie akaramba akanditarisa akatanga kuyeredza
Misodzi akanditarisa ndakada kusimuka asi eish mwana
uyu ainge ochema neni akanditrisa manje hey painge
pashata ndakatarisa vanhu ndikaona kuti vamwe vainge
vakanditarisa asi Rudo Here Runosundira Pane Ngozi
chaipo brakes on goers kana ndamusimudza maoko ake
ndakashaya kana chekutaura l was totally Speechless @
that moment Tarrie ainge andiisa Parumano chaipo.
Ndakabva ndamupukuta misodzi yake yainge yoyerera
Vanhu vaiona izvi ndakanzwa maoko akuomberwa
ndikatoshaya kuti vanhu vanoda zvinhu nhai pandakada
kusimuka ndakanzwa kuvibrater kwefoni muhomwe
kuratidza kuti in Text chaiyo ndikati ndozoivhura ndave
mumota sezvo ndainge ndonananaidzana ne my miss world
kaa. Vainge vachangoburwa muyedzo uyu wakandikunda
sekuyambuka Gungwa ndainge ndotoshaya kuti ndodiniko
nhy nawo asi Sharoe akazviziva Ma1 aye atangisa apa
ndamamira heishi ma1ummm.

Nhs Trevor kana kundifonerawo here kubva atadza kuuya


kuzondionawo atadzawo kufunga Madam Sharoe here
kutadza kufungawo First Lady vake here asi avenemumwe
here mudiwa wangu Sunday yotopera asinawokuti kunditi
hesi iii Apa a bhaiza nhs handimutange iye ngaatange
kutswagawo Empress vake ndaitongoti ndikapedza kuruka
Customer weave ndomboenda kudhuze nekuna
Karigamombe ukoo Kune Ka Restaurant katogaro
tichitenga ndakapedza kuruka hangu weave nguva
dzelunch padzakasvika ndakabva ndabuda nemumwe
musikana wandoshanda naye Anonzi Melissa Takabuda
ndokuenda kwatainositengera Lunch kuna Kariga uku
ndakapinda hangu ndokutenga ma Take Away angu
pandakabuda ndichidzika neroad inoita seukuda kuenda
Kuharare Gardens ndisati ndasvika kumarobots ekuti
ndipinde muna second street ndacheuka kudivi ndokuona
mota yandakaita seyandaziva asi yainge isina munhu mota
ndakaiziva kuti ndeya Hubby to wangu Trevor
ndakapererwa kuti aidei mutown ndakabva ndatora Foni
ndokufona asi Mellisa ainge abvira kare kuona
Kushungurudzika kwangu nekutarisa mota ye boy friend
yangu akabvaati asi mota unoiziva here ndikati ehe ndeya
boyfriend yangu Hooo zvaakazotaura handina
kuzozviteerera ndainge ndave busy Kuda kumufonera asi
Foni yaisadairwa ndakanzwa Hasha ndikabva ndarasa
Take Away yandainge ndatenga for lunch. Kana musi uyu
kushanda handina kana kuzokugona.
"Haa This time kamunhu Kanonzi Trevor kakuda kuzviita
Loverboy aka kachakissa Sharoe kudenga ndikutoda kuti
pandovaona pfuti mumusoro Vaende Ku Sheori
haangatore Sharon munhu wandave ne 6yrs ndichidanana
naye iye ongotora nyore nyore here apa ndotomuuraya
Ku Chikurubi kwacho zvirinani ndinopika nekuti
mazuwano Sharoe akandibloka kutaura neni haachada
kundiramba nekuti ndakamurova mbama ndaida kuedzawo
kuti ndigadzirise munhu aikura musoro. Ndaingoti
ndikafunga chizita chonzi Trevor ndaingoona Ropa chete
richiyerera ndaitoda kumupedzera ndopandakatorana Me
Double Impact squad rinofamba nepfuti tikaenda
tikananga kumba kwake kwandakaona ka Guard kake
kaichema kunge karohwa Jamupauro ndiye akabuda isu
ana Max ndisu Mashefu kaa aizobhadhara mari
chandainge ndagadzirira kutenga vakuru Vemapurisa kuti
pandouraya Trevor nyaya yacho yotsikwatsikwa chop
chop komabasa emari munomaziva. Chinhu chandaida
nkuratidza Sharoe kuti nguva yese yandakpedza
ndichitambisa Rudo yainge isngaendere mahara kunge
mushana. Cherondimiwo APA ndaida kumupedzera
Panorwadza ipapo. Rudo rwaipisa semoto rwotonhora
kunge Dumbu renyoka hasha dzandakanzwa kunzi Trevor
haapo eish ndaitoda kuti arare ave kunamusikavanhu
ndakaona kuti Kune vanhu vakadya Gora chairo
anoroteswa kuti hakuna kumira mushe Jamupauro akabva
aratidza Guard Pfuti kuti pano paipa Guard akadedera asi
ini ndakaita kuti asandione koz aindiziva saka aigona
kuzotaura ndaingova hangu kumashure ndichiona yose
yitambika.

End of Part 12

Type Yes for Chapter 13


Vanoda group pindai pa above: link

You might also like