Professional Documents
Culture Documents
MUSWE
PANONYEREDZA
Na
Abraham Makamera
Panomera Muswe Panoyevedza
ISBN: 978-0-7974-7939-5
TSAURO 1
"M
onica!Monica!" vakadaro mai Mavis
vachigogodza pasuwo renhanga
remuzukuru wavo.
"Iwe Monica! Unoti huchiri husiku here? Muka
usiye wadiridza muriwo kubindu uko,"
vakapedzisa kutaura vave kupinda muimba yavo
yekurara.
Monica akati kwarakwashu, achibuda
mumagumbeze.Hope dzainge dzakaita kumugara
mumaziso kwazvo.Akazvitatamura
zvichisanganisira nekushama n'ai.
"Monica!,Mwana waTichaona uyu. Ah!
Zvakaoma."
"Tete!" akadavira Monica achivhundunyura
mbatya dzake dzaigara mubhegi.Akatora juzi rake
ndokupfeka.Akabuda munhanga make
ndokumutsa vatete vake vainge vachitsvaira
pachivanze.
"Ko kuzorara sezvinonzi mune vashandi zvaita
seiko? Chero ivo vane madhigiri vakamukira
kubasa wani."
"Kwete tete, ndakanonoka kurara
ndichiverenga."
"Hehedeee!Seka zvako mwana wemuera
Soko.Unoti munosvika kupiko nemabhuku
amunoda kuita mutsimba nawo aya? Pane mwana
wekwaBvudzijena wawakambonzwa akasvika
kuUniversity here?Handiti baba vako
vakachemera kuenda kuA' Level ichangotanga,
nhasi vari kupi? Handivo here vakabva vandoita
~4~
Abraham Makamera
~5~
Panomera Muswe Panoyevedza
~6~
Abraham Makamera
~7~
Panomera Muswe Panoyevedza
~8~
Abraham Makamera
~9~
Panomera Muswe Panoyevedza
"Monica!"
"Promise!"akadaro Monica neizwi rakadzikama.
"I really love you,"akadaro Promise
achiswedera padyo naMonica.Akamubata
nechemuhuro zvakanyorovera.Akaisa muromo
wake pane waMonica, vaviri ava ndokutanga
kutsvodana.Monica akakatanura bhegi
remabhuku raainge akatakura ndokuritsveta pasi.
"Taswera muzukuru kana waswerawo?"
vakadaro vaMakunge vachibuda paseri
pemakwenzi pavainge vakahwanda. "Kwange kuri
sei kuchikoro?" vakaenderera mberi vamira zvino
vakabereka maoko.
"Kwange kuri right," akapidura chiso chizere
kunyara.Akanhonga bhegi remabhuku raive pasi
ndokupinda munzira onanga kumba.Promise
akambosara akamira ndokuzoonekana
navaMakunge ave kuenda kumba
kwavo.VaMakungewo vakatakura tutsotso
twavainge vaunganidza ndokuendawo kumba
kwavo.
~ 10 ~
Abraham Makamera
TSAURO 2
Z
uva rakatevera racho Monica akamuka zuva
ratobuda sezvo waiva musi
weMugovera.Akapinda muimba yokubikira
ndokubatidza moto,ndokuisa hari yemanhanga
pachoto.
"Sisi ndine nzara ini," akadaro Tapiwanashe
achipinda muimba yekubikira,apa maziso ainge
akazara mabori.Mbovha dzainge dzakaita
mutsara dzichitevedza matama ose.
"Tanga wageza kumeso,wozodya munya wako
uri muchiseme umo."
Tapiwanashe akatora mvura chinyararire
ndokubuda panze ondogeza kumeso.Akadzoka
ndokutora munya wake ndokudya.
"Ko tete vaenda kupi?" akadaro Tapiwanashe
achigura musuva wesadza ndokumbousvinyanga
svinyanga,mushure ndokugadzira kakomba
ndokuunyika muderere.Akaubuditsa ndokuukanda
mumuromo zvose nezvigunwe.
"Havako here?"akapindura Monica
achishamisika.
"Havako avo."
"Handizivewo ini,ndatoti zvimwe vakacharara
ini."
Akakuchidzira moto wainge wave kumhova,
ndokuwedzera mvura muhari yemanhanga yainge
yave kutsva.Apedzazvo akabuda panze
ndokundomira akazendama nechitara,apa ruoko
rwerudyi rwainge rwakabata dama rekurudyi
sezvinonzi rainge rave kuda kudonha.Akambotora
~ 11 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 12 ~
Abraham Makamera
~ 13 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 14 ~
Abraham Makamera
~ 15 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
haisisina mari.
"Eish! Airtime yangu yapera nguvaizve,asi tete
vamboshandisa nhare yangu?" akadaro achitaura
ega.Akamboramba akamira kwekanguva
achifunga zvekuita.Akakanda nhanho achibuda
panze, ndokumbotenderera nechivanze sepane
chaaitsvaga.Mushure akadzokera munhanga
make ndokusviko chinja mbatya dzaainge
akapfeka. Akabuda ndokupinda munzira yainanga
kumagirosa.Kwainge kwava kuendwa zvaitoda iye
Monica kuti atsanangure.Zvainge zvangoita
fungira mumoyo rwendo rwembwa.
Muimba yekubikirawo, mai Mavis naVaMakunge
vakambosara vachikurukura twakasiyana
siyana.VaMakunge vakazosimuka voenda kumba
kwavo.
"Usatunhidza mwana tsika dzakashata mai
Mavis.Izvozvi angobuda unoziva kwaaenda here?"
vakabvunza VaMakunge vave kubuda
muchivanze.
"Zvimwe aenda kushamwari yake kuna Rose
uko," vakapindura mai Mavis vachidzokera
muimba yekubikira.
"Hoo kana ari Rose wechokwadi bva
zvakanaka," vakadaro vonanga kumba kwavo.Mai
Mavis vakasara ndokuvhundunyura pasuro
yavainge vauya nayo kubva kwavaZindoga
vanova baba vaPromise.
Mai Mavis vaiva mukadzi mukobvu ari murefu
zviri pakati nepakati.Tsika nehunhu
ndinganyepa,zvotoda tizvionere tose pano.
~ 16 ~
Abraham Makamera
TSAURO 3
B
ere ratakura mbudzi,imbwa ndokushaya hanya
nazvo,zvine chirevo.Promise akamuka
mangwanani emusi weChina ndokunanga
kurwizi kundogeza.Apedza akadzokera kumba
ndokusvikopfeka mbatya dzakanaka.Akazviringa ringa
pachiringiro chaiva pagonhi rewadhiropi yake
ndokuguma guma zvimagumbeze zvaiva pamudhebhe
waainge akapfeka.Akatora ngowani yake
ndokuigadzika mumusoro.Jaya rakadzokera
pachiringiro rwepiri ndokutora kachinguva
riripo.Akagutsurira musoro ndokufamba achibva
pachiringiro.Akabuda mugota make akatakura kabhegi
kadiki,kerudzi rwepfumbu.
Mukomana akaonekana namai vake pamwe
chete nababa avo vainge vari kudanga vachikama
mombe.
"Ukurumidze kudzoka,nguva yezororo iyi
inonetsa haide kuti munhu afambe usiku,"
vakadaro VaZindoga, baba vaPromise.
"Ehoyi baba," akadaro Promise
achizvikakanyadza achibuda muchivanze.
Akatora nzira yainanga kwaamai Mavis,ndiye
rukova Nyamapere yambu.
Munzira aingofunga maswerero aaizoita
netsvarakadenga yake Monica sezvo range riri
zororo reKisimusi.
Achindosvika akawana mai Mavis vagere zvavo
muimba yekubikira,vachiundura huku yavainge
vauraya.Tapiwanashe chainge chichisvina
matumbu ehuku chiri kuseri kwehozi. Monicawo
~ 17 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 18 ~
Abraham Makamera
Maita Nyamuzihwa,
Shumba, Hara, maita Muchori.
~ 19 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 21 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 22 ~
Abraham Makamera
~ 23 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 24 ~
Abraham Makamera
TSAURO 4
M
onica akasvika kumba zuva rogara
makomo.Tete vake, mai Mavis vainge vagere
zvavo paruware vachiruka juzi raTapiwanashe
rekuchikoro.
"Titambire muzukuru," vakadaro mai Mavis
vachitsveta zvirukwa pasi. Vakasimuka kubva
pavainge vakagara ndokufamba vachindosangana
nemuzukuru wavo.Vakatambira pasuro yainge
yakabatwa naMonica ndokupinda nayo muimba
yekubikira.
Monica akafambawo achipinda munhanga
make.Akasvikogara pasi ndokutanga kubaya baya
nharembozha yake.Mai Mavis vakambotora
kanguva vari muimba yekubikira,vakazobuda
ndokutevera muzukuru wavo kunhanga
kwake.Vakasvika ndokumira pasuwo
vakamutarisa.Chiso chaMonica chainge chizere
kunyemwerera.Akamboruma ruma nzwara
yekasiyanwa akatarisa panharembozha yake.
"Inga uri kunakirwa zvako.Uri kutaura nani
zvako wabva wafara kudaro?" vakadaro mai
Mavis vachipinda mukati.
Monica akavhunduka ndokusimudza
musoro."Hapana tete," akapindura,ndokusimuka
painge akagara.
"Ko kuzononoka kudzoka zvanzi chiiko mainini?
Dai makandiudzaka kuti uri kurara ikoko zvainge
zvakaipei?"
"Ndakazoshaya motokari yekudzokesa
tete.Dzainge dzazara zvekuti ndakatadza
~ 25 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 26 ~
Abraham Makamera
~ 27 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 28 ~
Abraham Makamera
~ 29 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 30 ~
Abraham Makamera
TSAURO 5
P
akapera mazuva matatu mushure
memhirizhonga yainge yaitika pamusha paamai
Mavis.Mai Mavisvakafuma vakarara vachichema
chema nemusoro.Vakamuka ndokubuda panze.
Havana kupedza nguva varipo vachibva vadzokera
muimba yavo yekurara.
"Monica! Monica! Huyai pano mainini,"
vakashevedza muzukuru wavo vachifukidza
makumbo avo negumbeze.
"Tete! Ndiri kuuya." Uyu aiva Monica aipindura
ari muhozi yaiva kumadokero kwemusha umo
maainge achitsvaira.Akakanda mutsvairo pasi
ndokubuda muhozi onanga kwaiva navatete
vake.Akazvikopfugama pamagumbeze akamirira
tete vake kuti vataure.
"Nyatsogara zvako muzukuru.Ndoda
timbokurukura."
Monica akanyasogara akatandavara makumbo
apa musana wainge wakazendama nemadziro
emba.
"Ndini ndakushevedza muzukuru,ndange
ndisati ndambogara newe pasi sezvataita izvi.
Chiripo chaita ndigare newe pasi, ndinofunga
unochiziva?" Vakadaro mai Mavis vakatarisa
Monica uyo ainge akangoyeva vatete vake
akarereka musoro.
Monica akambotora kanguva achifunga kuti
ingava nyaya yechii yaida kutaurwa navatete
vake,mushure ndokuzoti," Kwete tete ndatadza
ini"
~ 31 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 32 ~
Abraham Makamera
~ 33 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 34 ~
Abraham Makamera
~ 35 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 36 ~
Abraham Makamera
~ 37 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 6
M
azuva akafamba ndokuita vhiki.Mavhiki
akadungamidzana ndokuita mwedzi.Mwedzi
wakamhanya ndiye bhaa wapera.Ndizvo
zvimwe chetezvo naKukadzi.
Monica akamuka mangwanani emusi weChipiri
muviri uchirwadza.Akabuda munhanga make
achimhanya akabata muromo ndokuenda kunze
kwechivanze.Akasvikoti gwadagwa ndokutanga
kurutsa.Tete vake mai Mavis vakabuda muimba
yavo yekurara vachimhanya mushure mekunge
vanzwa muzukuru wavo achigomera.Vakakanda
nhanho vachienda paaiva ndokusvikomira
vakamutarisa.
"Zvaita seiko mainini?" vakadaro vakabata
chiuno.
"Ndangomuka ndichisvotwa,ndipo
pandazongotanga kurutsa," akadaro Monica
mushure mekunge ageza muromo.Mai Mavis
vakambomira semunhu aifunga
zvakadzama.Vakazotanga kufamba vave kuenda
kuimba yekubikira, Monicawo ave kuenda
kunhanga kwake.Haana kupedza nguva ariko
ndokubuda ava kugadzirira kuti aende
kuchikoro.Akatora bhegi rake remabhuku
ndokuonekana navatete vake.Kusina kure
kwaamboenda, mwanasikana akanzwa mudumbu
kumonya. Pasina chinguva chikafu chose chaange
adya chainge chatobuda.Akambogara pachitsiga
chaiva padivi penzira,akatsikitsira.Zvainge
~ 38 ~
Abraham Makamera
~ 39 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 40 ~
Abraham Makamera
~ 41 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 42 ~
Abraham Makamera
~ 43 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 44 ~
Abraham Makamera
~ 45 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 7
P
akapera masvondo matanhatu mushure
mekunge Monica aziva kuti ainge
azvitakura.Akamuka mangwanani emusi
weChitatu ndokugadzirira kuti aende
kuchikoro.Akabuda munhanga make ndokuenda
kundogeza. Mushure akadzokera munhanga,ndokutora
bande redhirezi ndokusunga dumbu rake.Akapfeka
hembe yekuchikoro pamusoro, ndokubuda oonekana
navatete vake ave kuenda kuchikoro.
Akapinda munzira ndiye mugura
nyengu.Semunhu ainge anonoka aiti
akambonzonza, ombofamba.Akabuda mugura
ndokubatana nevamwe vana vechikoro vainge
vanonokawo.Vakambomira vakaita kachitutu vari
chinhambwe kubva pamutaro apo painge
pakamira vamwe vana vose vechikoro avo vainge
vakateerera mukuru wechikoro, VaManesu
vachitaura.VaManesu vakazoti chikwata chevana
vainge vanonoka vauye kuzomira kumberi.
Monica akambosara akamira akahwanda
nemadziro emudhuri waiva padyo nepamutaro
apa.
"Mauya mose here?" vakadaro vaManesu.
Vana vechikoro vakambotarisana vachida
kuona kuti pane ange asipo here.
"Ndipindurei mhani imi,munoti kunonoka
kunoshamisira here?" vakaenderera mberi vaona
vana vechikoro vangoramba vakanyarara.
"No sir," akapindura mumwe wevana ava.
"Enda unotora vasara," vakadaro vaManesu.
~ 46 ~
Abraham Makamera
~ 47 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 48 ~
Abraham Makamera
~ 49 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 50 ~
Abraham Makamera
~ 51 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 52 ~
Abraham Makamera
~ 53 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 8
R
inamanyanga hariputirwe mumushunje
chokwadi.Monica kubva zvaasiya
chikoro,upenyu hwake hwainge hwangova
hwekuswera mumba.Aimuka mangwanani ogeza
semunhu aigadzirira kuenda kuchikoro.Aimbombeya
mbeya nechivanze,achimboti akapinda muimba
yekubikira,obudamo opinda muhozi
obudazve.Waizomuona zvino ananga kunhanga kwake
osvikozvivharira.Kudya aitoita zvekuvigirwa navatete
vake,Mai Mavis.
Painge papera masvondo maviri mushure
mekunge Monica apedzisira kutsika chivanze
chepaKudadisa High School. Akamuka
mangwanani emusi weChina zuva
ratokwira.Akabuda munhanga make
ndokundomira akazendama nemadziro ehozi
achidziya mushana.Akambotora chinguva aripo
ndokuzofamba ave kupinda muimba
yekubikira.Akawana vatete vake naambuya vake
vakagara zvavo vachikurukura.Akakwazisana
navo ndokugara pasi.
"Ko hausi kuenda kuchikoro here, zvawanonoka
kumuka kudai?" vakabvunza VaMakunge
vachitwasanura makumbo avo.Chembere
yakamboridza kamhere nekuda kwemakumbo ayo
ainge ava nenguva achivashungurudza.
"Handiti iholiday here ambuya?" akadaro
Monica.
"Ko vamwe varikuenda wani.Ndinongoona vana
vepaMupositori apa vachingoenda zuva nezuva
~ 54 ~
Abraham Makamera
~ 55 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 56 ~
Abraham Makamera
~ 57 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 58 ~
Abraham Makamera
~ 59 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 60 ~
Abraham Makamera
~ 61 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 9
Z
uva rainge rogara makomo,kune kamhepo
kaibva nechekumabvazuva.Monica ainge agere
zvake munhanga make achirongedza mbatya
dzake.Pfungwa dzake dzainge dzisina
kugadzikana.Dzainge dzichingopishana nezvaaiva
akatarisana nazvo.Ko dzaigadzikana sei iko kuvira
kwezuva aizova muenzi pamusha pavaZindoga?
Mwana aiti akafunga nezvazvo ainzwa mudumu kurira
zvichisanganisira nekupindwa nechando.Apedza
kurongedza mbatya dzake akatora nharembozha yake
ndokumbotamba nayo.Akazotovhundutswa navatete
vake avo vainge vapinda.
"Mapedza here mainini?" vakabvunza mai
Mavis vakamira zvavo.
"Ehe Tete. Pane zvamanga muchida kuti ndiite
here?" akabvunza Monica achida kunzwa pfungwa
dzavatete vake.
"Kwete mainini ndangoti mugare makagadzirira
nekuti ndiri kukuperekedzai zuva richangonyura."
Monica akanzwa muviri kupindwa nechando
paakanzwa mashoko aya.Akaramba akanyarara
atoona kuti tete vake vainge vasina kudzokera
kumashure.
"Mazvinzwa here mainini?" vakadaro mai Mavis
vaona muzukuru wavo angoramba akanyarara.
Monica akasimudza musoro wake ndokutarisa
vatete vake mumaziso chaimo.Akambotora
kanguva akadaro ndokuzoti, "Hongu tete."
Akatsikitsira ndokuenderera mberi nezvaainge
achiita.
~ 62 ~
Abraham Makamera
~ 63 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 64 ~
Abraham Makamera
~ 65 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 66 ~
Abraham Makamera
~ 67 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 68 ~
Abraham Makamera
~ 69 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 70 ~
Abraham Makamera
TSAURO 10
S
ango kuipa kuipa zvaro asi haridyi munhu.Monica
akamuka chando chamurova.Mazino ainge
achiita kurovana nekudedera.Akagofa gofa
pachoto ndokuona angova madota chete.Akatarisa
mudenga ndokuona nyeredzi dzava
shoma.Machongwe ainge atoneta nekukukuridza.
"Ko dzatopera here hope?" Vakadaro mai Mavis
vachipinda muchivanze chemusha.
"Ehe ndange ndava kutotya kuti manditiza
tete," akadaro Monica achishama n'ai.
"Ko munhu anotizwa here nhai muzukuru?
Handiti anonyatsoenekwa zvakanaka kuitira
patinozoshanya mangwana," vakapindura
muzukuru wavo vachiseka zvavo.
"Ko wava kuiteizve zvawava kupfumbura dota
kudaro?" vakabvunza mai Mavis vaona muzukuru
wavo achikwarakwara muchoto nehuni.
"Ndatonhorwa tete ndiri kutsvaga marasha
tibatidze moto."
"Unoti huchiri usiku here? Hande tindogara
pataiva apo," vakadaro mai Mavis ndokusimudza
bhegi raiva nembatya dzemuzukuru
wavo.Vakatungamira muzukuru wavo ari
mumashure.Vakagara pasi ndokumboraira
muzukuru wavo.Vakazodimudzirwa naRose uyo
ainge avhura musiwo ndokumira achishamisika
nezvaainge aona.
"Mamukasei amai? Zvaita sei mabva magara
kunze kwechivanze kudaro?" akadabvunza Rose
akabata pachipfuva.
~ 71 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 72 ~
Abraham Makamera
chiri kunetsa?"
"Hapana," akapindura Monica chiso chakatarisa
pasi.Idzo nyadzi aiita seachanyungudika nadzo.
Zvainge zvosanganisira nekutya.
"Aitwa seiko Monica nhai amai?" akadaro Rose
pfungwa dzichiyuwira nekuda kuziva chainge
chasvitsva mai Mavis nemuzukuru wavo pamusha
pavo.
"Mira baba vako vauye mwanangu tozotaura.Ko
ndiani akashaika kwaMuchetura?"
"Ivo vaMuchetura vacho," akadaro achifamba
kupinda muhozi yaiva nechekumadokero
kwemusha.Haana kutora nguva arimo ndokubuda
akabata rupasa.
"Huyai mugare pakanaka amai makamirira
baba," akadaro Rose achiwaridza rupasa padyo
nepachoto.
"Usazvinetsa zvako mwanangu,regedza tigare
ipo pano."
"Kumucheto kwechivanze here nhai amai? Imo
muguruva imomo?"
"Ko pane zvazvichanjinja here? Handiti
dzatosviba kare mbatya dzacho? Ko vakaoneiko
munhu andakaona svondo rapera kumusangano
uko?" vakadaro vachipfunya chisero.
"Ahh zvanzi vakangodonha vachibva kudanga,"
akadaro Rose.
"Inga zvakaoma," ava vaiva mai Mavis
vaingonotaura vachidzungudza musoro.
Paitaurwa zvese izvi, Monica ainge
akangonyarara seakasonwa muromo.Musoro
wake wainge wave kubanda
nekufunga.Chainyanya kumushungurudza
ndechekuti muridzi wenhumbu ainge asipo. Aiti
~ 73 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 74 ~
Abraham Makamera
Vakambotaura nezverufu
rwavaMuchetura,mushure ndokuzobvunzana
mufaro sevanhu vange vave nezvimazuva vasina
kuonana.
"Ko kuzogara kunze kwemusha manyimwa
pekugara here? Huyai mugare parupasa apa,"
vakadaro VaZindoga vachitora chigaro chaiva
muberere reimba yekubikira ndokugarira.
"Aiwa ipo pano pakanaka babamukuru. Dai imi
matoswedera nechekuno," vakadaro mai Mavis
vachikanda zvirukwa zvavo pamusoro pebhegi
raiva padivi pavo.
VaZindoga vakasimuka ndokutora chigaro
chavo vofamba vachienda kwaiva namai Mavis
nomuzukuru wavo.Vakasvika ndokutsveta chigaro
pasi ndokugara.
"Kwakanaka here kwamabva mafamba
nemutundu kudai?"
"Hongu kwakanaka," vakapidura mai Mavis
vachirereka musoro.
"Uyu ndiMonica here uyu?" vakabvunza
VaZindoga vachinongedzera Monica.
"Hongu. Ndiye adai kutisvitsa pano"
"Zvanziizve?" vakadaro VaZindoga
vachikatyamara.
"Ah zvikukutu, imbwa ina VaZimunya."
vakambomira zvishoma vakatarisa vaZindoga avo
vainge vakanyatsoteera zvavaitaura. "Ndauyawo
naye, muenzi wenyu paari ipapa," vakaenderera
mberi vachinongedza Monica.
"Muenzi waMonica here nhai mai Mavis?"
vakadaro vaZindoga vazvishairwa pazvo.
"Hongu baba vemwana.Ati ane muzukuru
wepano waakatakura."
~ 75 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 76 ~
Abraham Makamera
~ 77 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 78 ~
Abraham Makamera
~ 79 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 11
P
akapera mazuva matatu kubva musi wasiiwa
Monica pamusha paVaZindoga navatete vake
mai Mavis.Monica akamuka mangwanani emusi
weMuvhuro ndokutsvaira chivanze. Apedzazvo akatora
mugomo ndokupinda munzira ave kunanga
kutsime.Akawana kutsime kuna mai
Muchaneta.Vakakwazisana nekubvunzana
mufaro,Monica ndokuzochera mvura.Akatakura
mugoro wemvura ndokufamba achikwidza makata
aivapo kubva murwizi.Paakati achindopedza makata
akanzwa mugomo kusundidzirwa zvine
chisimba.Akatendeuka ndokuona vari mai Muchaneta.
"Zvaita seiko nhai tete?" akabvunza Monica
achishamisika kwazvo.
"Mubvunzo wekundibvunza here uyu? Kana
watsamwa tura mugomo tirwe," vakadaro mai
Muchateta vachizunza zunza maoko semutambi
wetsiva.
"Ko zvamboita sei tete?" akadaro Monica
ashaya neshumo yazvo.
Mai Muchaneta havana kukwanisa kupindura
mubvunzo uyu,chavakangoita kusundudzira
mugomo waiva wakatakurwa naMonica
uchindowira kwakadaro uko.
Monica akabata muromo akatarisa mvura
yainge yadeuka ichiyerera ichipinda
murwizi.Akakanda nhanho imwe achida kundotora
mugoro uyo wainge waita semukoko usina hata
mativi ose.Paakada kukanda yepiri akanzwa dzvii
nemuhuro.
~ 80 ~
Abraham Makamera
~ 81 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 82 ~
Abraham Makamera
~ 83 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 84 ~
Abraham Makamera
~ 85 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 86 ~
Abraham Makamera
~ 87 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
kumba kwavo.
"Usachema muroora. Murume wako ndataura
naye ati ari kusvika mangwana zuva
rorereka.Sununguka zvako."
"Zvakanakai amai. Hoo mataura naye nhai?
Kana achiuya zvake mangwana pakanaka mhai.
Mazvita zvenyu." akadaro Monica achiombera, asi
misodzi yainge yaramba kupwa pamatama.Yainge
ichingoyererera semvura iri kubuda muchirongo
chakatsemuka. Kana dziri pfungwa dzaiita
murambamhuru kana chamupupuri
chaicho.Akazongozvishingisa nemashoko aiti
tongoona kunowira tsvimbo nedohwe,sezvo dai
ndakaziva yainge isingachatungamire.Chainge
changovapo kutamba inorira.
~ 88 ~
Abraham Makamera
TSAURO 12
"K
o Monica ari kutsvageiko pano nhai amai?"
akabvunza Promise achipinda muchivanze
asina kana kumbokwazisa amai vake.
Ndiko kunonzi nevakuru,rabva nedera denhe
kupinda gaya.Haasiriye here Monica waaigarorota
nekumuchemera zuva nezuva? Zvechokwadi
rinonyenga rinohwarara.
"Unopenga here Promise? Uri kundibvunza
mubvunzo siri, hauzive zvawakasiya waita here?
Unofunga ndaikunyepera here? Ko unomboti rina
manyanga rinomboputirwa here nhai?"
"Zvaamaiwo futi. Imi munongotambira vanhu
sezvinonzi panochengetwa nherera pano nhai,"
akadaro Promise achipinza ruoko muhombodo.
"Ndinokurova Promise! Usafunga kuti zvawava
nendebvu ndingatadza kukuwadzura nembama
izvozvi so.Mashoko rudzii iwayo auri kutaura?"
vakadaro mai Norest vachinongedza mwana wavo
nemunwe.
Monica akabva kuseri kwehozi uko ainge ari
kurasa marara ndokukanda mutsvairo pasi
pamwe chete nechizen'e chaainge
akabata.Akafamba ndokuchingura murume
wake.Akatambira bhegi raiva rakabatwa
navamwene vake ndokupinda naro
mumba.Akasvikoritsveta parupasa iye ndokugara
pasi.Pasina chinguva vamwene vake vainge
vatopindawo.
"Haa, zvakandiomera gore rino," vakadaro mai
Norest vachigara padivi nemuroora
~ 89 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 90 ~
Abraham Makamera
~ 91 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
wavo papfudzi.
"Zvinenge zvaramba izvi amai. Ndosvika kupi
ndichirwadziwa kudai? Zviri nane ndidzokere
kumba amai," akadaro Monica misodzi ichiiyerera
nematama.
"Ko murume wako unomusiya nani nhai
mwanangu? Imba inoda kutoshinga iyi.Usafunga
kuti dzimba kuita chin'ai kudai tiri pano zvaiva..."
Havana kuzopedza kutaura vadimburirwa panzira
naPromise uyo ainge apinda mumba achipopota.
"Imi amai asi ndimi makamupa nhumbu here
mwana uyu? Muregedzei aende kumba kwavo
handiti ati anoda kuende here?"
Mai Norest vakashamiswa nemashoko emwana
wavo ndokuramba vakamutarisa vakazopedzisira
nekudzungudza musoro.Monica akasimuka kubva
paainge akagara ndokufamba achibuda panze
ndokunanga kuimba yake yekurara.Akapinda
ndokuvhara musiwo achiita zvekurovera nehasha.
"Anozviuraya mwana wevanhu uyu
Promise.Ngozi yacho munozoigona here?"
vakadaro mai Norest vachiratidza kushushikana
nokuita kwemwana wavo.
"Zvaamai vakomana. Kuchine ngozi here these
days?" akabvunza amai vake achiseka zvake.
"Inoshaikwa nemhaka yei nhai mwanangu?
Yuwii! Kuona jaya rotsvikidza muswe sekahanda
munhu wotofunga kuti ndayarutsa izvo
mupfungwa ijeche."
"Zvengozi isuperstition chete izvo amai.
Musada kundivhundutsira." Akakanda nhanho
mbiri ndokundogara pasi.
"Chindiudza mwanangu, muenzi wawange
uchitaura nezvake ndiani?"
~ 92 ~
Abraham Makamera
~ 93 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 94 ~
Abraham Makamera
~ 95 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 96 ~
Abraham Makamera
TSAURO 13
A
chindosvika kumba Monica akapinda muimba
yake yekurara ndokurovera musuwo waiva
kumashure kwake.Akazvijatira pasi ndokubata
musoro,misodzi ichibva yatanga kuyerera ichidzika
nematama.
"Hapana kusiri kufa apa. Ah!" Apa aitaura ega
neizwi rizere hasha.Akazunza maoko
ndokusimuka kubva paainge
akagara.Akarongedza mbatya dzake mubhegi
rake ndokubuda achisiya musiwo
wakavhurika.Akakanda nhanho achinanga kuimba
yekubikira uko kwaiva navamwene vake pamwe
chete navatezvara vake.Akasvikogwadama pasi
ndokuswedza vatezvara vake.Mushure mezvo
akavaoneka achiti ava kumbodzokera kumba.
"Ko zvaita seizve nhai mwanangu?"
Vakabvunza VaZindoga vachishamisika.
"Zvakaoma Shumba," vakadaro mai Norest
vachibata murume wavo muromo.Vakaenderera
mberi voti,"Ndange ndisati ndataura nababa vako
maererano nezvaitika vachangosvika zvino
zvino."
"Chii chanyanyoitika mai Norest? Asi madzinga
mwana pano here?"
"Kwete Shumba. Mwana ange opondwa
kumukunda wenyu uko. Zvichibvawo
nemwanakomana wenyu mudiki uyu anoita
seakarumurirwa mumadhirezi. Kuti ndiro basa
rehuticha iroro rinomupa kudaro kana ritoriwo
~ 97 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
shavi zvaro?"
"Taurai chaitika mbuya vaTinei."
"Ko zvaauya neumwe mukadzi. Zvanzi ndiye
muroora.Zvino amusiya kwamai Muchaneta
uko.Ini ndazotevera ikoko ndikawana pachiita
sepane mutambo wetsiva,zviri zvibhakera zvega
zvega.Mukunda wenyu kutozotora danda zvanzi
ndoda kukaponda nhasi,kureva mwana agere apa
uyu," vakadaro vachinongedza Monica.
"Rose! Rose!" vakadaidzira VaZindoga
vachishevedza mwanawavo.
"Baba!Ndiri kuuya," akapindura achibuda
munhanga make.Akasvikogwadama pasi
ndokumirira kuti baba vake vataure zvavainge
vamushevedzera.
"Tora bhegi raamaiguru vako iri uridzorere
muimba mavo umo."
"Ehoi baba" Akasimudza bhegi ndokuenda naro
kumba kwaamaiguru vake.
"Chinzwaka muroora. Chirara nhasi, totaura
nyaya yenyu mangwana.Apa ndange
ndambonzwa sekuti vana baba vako varikuuya
kumapere mangwana," vakadaro VaZindoga
vachishereketa.
"Zvakanakai baba," akadaro akatsikitsira pasi.
Sadza rakadyiwa vanhu ndokuenda
kundorara.VaZindoga vakambosara vachitandara
nemudzimai wavo vachifunga kuti Promise
angasvika asi vakaona nzira ingori mhepo chete.
Pavakazobuda muimba yekubikira vave
kundorara nguva dzainge dzatoenda.Ukuwo
Monica ainge achiti akambogara pasi,osimuka
odongorera nepahwangwaridzo yaiva pagoni
reimba yake, odzokera ondogara pamusoro
~ 98 ~
Abraham Makamera
~ 99 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 100 ~
Abraham Makamera
~ 101 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 102 ~
Abraham Makamera
~ 103 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 104 ~
Abraham Makamera
panharembozha
"Zvino chinzwa ndikutaurire,unofra mujere
muzukuru. Iunder age ka iyi zvamunonyatsoziva
babamudiki," vakadaro mai Mavis vachinongedza
Monica.
"Mirai ndiuye ikoko tete tinyatsotaura.
Chimbomirai kutaura zvemapurisa
ndinozvigadzirisa tete.Ndava kutouya. Ndipei 45
minutes ndinenge ndasvika," rakadaro inzwi
raPromise.
Mai Mavis vakazosara votaura vega pasisina
aivapindura.
"Hello! Hellooo! Iyazve zvandangova ndega,"
vakadaro vachibvisa nharembozha yavo
panzeve.Ukuowo Monica ainge ave kungopishana
nepfungwa nekuda kwenyaya yainge yagurirwa
panzira navatete vake.Paakaona vatete vake
vatsveta nharembozha yavo pasi akabva ati
ndawana mukana wekunyatsobvunza nyaya
yavange vachitaura.
"Nhai tete mati under age mhosva kudii?"
"Iyo chiisiyai mainini, tatozvigadzirisa. Ari
kusvika pano manje manje.Chimbotseyamai
muzorore zvenyu," Vakadaro mai Mavis
vachibhabhadzira Monica kumusana.
Monica akapinda mumagumbeze ndokurara, asi
hope hadzina kuuya.Pfungwa dzainge dzave
kufunga nezvenyaya yainzi inosungisa yainge
yataurwa navatete vake.Akazvibvunza mibvunzo
yakawanda asi yose yaishaya
mhinduro.Akazongozviudza kuti rina manyanga
hariputirwi.
~ 105 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 106 ~
Abraham Makamera
TSAURO 14
"N
dibamudiki here?" vakabvunza mai Mavis
vachipindura kugogodzewa kwainge
kwaitwa pamusuwo.
"Yeah ndini zvangu,tete," inzwi raPromise
rakanzwikwa kudavira richibva panze.
Mai Mavis vakasimuka ndokuvhura
musuwo,"Mava kunetswaka kufambiswa neusiku
kudai?" vakadaro vave kubuda panze.
"Ha-a tingati kunetswa here nhai tete?"
akadaro achitambanudza ruoko ndokukwazisana
namai Mavis.
"Mirai nditarise pachoto kuti pachine moto
here," Vakafamba ndokusvika pachoto.Vakateta
teta ndokuona mazimbe matatu kana mana ainge
achine moto.
"Huyai zvenyu tigare mumba babamunini,"
vakadaro mai Mavis vave kutofamba kuenda
kuimba yekubikira.Mazimbe emoto aya ainge
achiiswa mukachizenge.Vakapinda muimba
yekubikira ndokukanda mazimbe aya
muchoto.Vakakuchidzira huni, ndokutora
zvitsotso zvaiva kuseri kwegonhi ndokuzviisa
muchoto.Mushure mekanguva
vachingofuridza,moto wakabvira mumba
ndokubva maita chiedza.
"Pindai mumba babamudiki," vakashevedzera
vachitora chituru chaiva kuseri kwegoni
ndokuchiisa padivi pavo.
"Gogogoi!" akadaro Promise achipinda mumba.
"Pindai zvenyu baba vemwana,garai
~ 107 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 108 ~
Abraham Makamera
~ 109 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 110 ~
Abraham Makamera
~ 111 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 112 ~
Abraham Makamera
~ 113 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 114 ~
Abraham Makamera
~ 115 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 116 ~
Abraham Makamera
~ 117 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 15
P
romise haana kuzoenda kuHarare musi waainge
akatarisira mushure mekunge paine dzimwe
nyaya dzainge dzanyuka.Akafonera kubasa
achikumbira mazuva akati kuti achiitira kusiya
agadzirisa nyaya idzi.
Pakapera mazuva maviri mushure mekunge
abva kumba kwamai Mavis, akamuka
mangwanani ndokuenda kwavatete vake.
Achingosvika akawanawo
vachangomuka.Akavamutsa ndokupinda
mumunda wechibage.Akadzoka abata miguri
miviri yechibage ndokupinda muimba
yekubikira.Akasvikogara pachituro icho chaainge
aisirwa navatete vake.
"Ko hamuna kurara madya here zvamamukira
chibage kudai?" vakabvunza mai Muchaneta
vachiwedzera huni muchoto.
"Kwaaniko tete. Ndakarara ndakagutisa
zvisingaite.Chete handina kubvira ndambodya
chibage kubva zvandauya," akataura mashoko
aya achibvisa chibage chiya mashizha.Akaisa
chaainge abvisa mashizha mumoto
ndokumbosara akabata chimwe chacho.
"Chindipa icho ndikugochere nechepano
pakanaka."
Promise akatambidza chibage chiya vatete
vake ndokuti, "Ko vazukuru venyu vaenda kupiko
zvandisina kumbovaona kubva zvandasvika?"
"Vanombogara pasi here? Vaenda mugomo
umo. Zvanzi toda kundotsvaga huni," vakadaro
~ 118 ~
Abraham Makamera
~ 119 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 120 ~
Abraham Makamera
~ 121 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 122 ~
Abraham Makamera
musoro waMonica.
"Ndatumwa kuna baba vaTavonga vari kudiwa
nababa," akadaro Monica achipukuta misodzi iyo
yainge yazara chiso chese.
"Vanotuma iwe ko Rose haako here?"
"Vaenda kuchikoro" Akapindura Monica
achibata musoro wake uyo wainge wave kupisa.
"Kusatonyara! Vamwe vana vezera rako
varikuita zvechikoro, iwe uri kungomisa
kamimbamuteku kako pano. Udzikame mwana
iwe,” Vakapedzisira nekubaya baya Monica
pamhanza."Wazvinzwa here?" vakadaro vave
kubuda mumba umu.Monica haana kupindura,
akangoramba akanyarara.
"Ndaenda ini Shumba. Mukaenda pasina auya
munokiya door makeys moaisa muberere rehozi
iyo," vakadaro vachinongedza hozi yaiva
nechekumadokero kwemusha wavo.Vakabuda
muchivanze vave kunanga kumusha kwavaMafetu
uko kunova ndiko kwaiva nemhuri yavaGaza.
Vachindosvika vakawana muroora
wavaGaza,vanova mai vaChipo, vakagara zvavo
mumba mavo. Vakapinda mumba
ndokukwazisana navasahwira wavo.Mushure
mekubvunzana upenyu vakaiparura yavainge
vafambira.
"Nyaya ingoripo ndeyekuti mwana agare asina
mumwe anomuvhiringa vasahwira,ndiko
muchiona ndichimira mira kudai," vakadaro mai
Muchaneta.
"Zvino yamataura iyi ndiani anozviita? Ko kana
mwana wekwaBvudzijena akazviramba atizopisire
here?" vakabvunza mai Chipo mushure mekunge
vafunga zvakati dzamei.
~ 123 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 124 ~
Abraham Makamera
~ 125 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 126 ~
Abraham Makamera
TSAURO 16
K
wakafuma kuchipfunha pfunha,kuine kamhepo
kaitonhora.Kunze kwainge kuzere mhute iyo
yaipwititika mumakomo ainge akatenderedza
dunhu raishe Musukutwa umo maiva muine musha
waVaZindoga.Monica akamuka rungwanani
ndokutsvaira chivanze chavamwene vake. Apedzazvo
akatora mugomo ndokunanga kutsime. Achindosvika
patsime akatsveta mugomo pasi ndokufamba
zvishomanana achipinda murwizi.Akakotama
ndokugeza kumeso kwake.Apedzazvo akadzokera
paainge asiya mugomo wake ndokusvikousimudza ava
kuenda kundochera mvura.Akasvikopfugama
pamatanda ainge akavhara patsime ndokutanga
kuchera mvura achishandisa komichi yaigara patsime
ipapo.Akati chubvu rwekutanga ndokubudisa komichi
izere mvura ndokuiteurira mumugomo.Paakadzorera
komichi rwepiri akanzwa yava kuramba kunyura
mumvura.Akateta teta mumvura achishandisa komichi
iya ndokunzwa semainge mawira zidanda.
Sekunze kwainge kusina kunyatsochena
akabuditsa nharembozha yake ndokubatidza
mwenje. Akavheneka mutsime ndokuona ari
munhu akatopapamara mumvura imomo. Akati
kwarakwashu, hana yava
kupadagura.Akambomira akabata pachipfuva
kwekanguva, pfungwa dzichiita
chamurambamhuru nekuzama kubatanidza
zviitiko nekuti oita sei zvino. Kuti ainge ari ani
ainge afunga kuzviuraira mutsime umu?
Akazopinda munzira ava kunanga kumba
~ 127 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 128 ~
Abraham Makamera
~ 129 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 130 ~
Abraham Makamera
ndee mumvura.
"Mamuziva here munhu uyu?" vakadaro
VaZvidzai
"Hongu," vakapindura misodzi ndokutanga
kuyerera nematama.
VaZvidzai vakangoti kana nazvo.
"Nyamuzihwa zvaita sei?"
"Musha wangu waparara..." Vakatadza kupedza
kutaura misodzi yainge yongochururuka.
VaZvidzai vakazvishaira shumo
yazvo.Vakazama kufunga zvaireva mashoko
ainge ataurwa naVaZindoga asi vakatadza
kuzvinzwisisa.Vakashevedza mai Muchaneta avo
vainge vakangomira chinhanho kubva
patsime.Havana kumirira kuti mai Muchaneta
vasvike pavaiva.Vakafamba ndokusanagana
navo,ndokuvatsanangurira zvavainge vafambira
nezvevainge vaona.
"Zvino imi mamuziva here munhu wacho?"
vakadaro mai Muchaneta vachiratidza kutya.
"Kwete asi sahwira wangu uyu ati
anomuziva.Ini handisati ndambomuona ini."
"Ndinokwanisa zvangu kumuona here?"
vakabvunza mai Muchaneta vava kutofamba
kuenda patsime.
VaZvidzai vakazongogutsurira musoro
ndokutevera mai Muchaneta.
"Ko zvaita seiko Shumba?" vakabvunza
vachiswedera padyo nepaiva nehanzvadzi yavo.
"Zvakaoma mukunda. Musha waparara uyu,"
vakadaro vachinongedza mutsime.
Mai Muchaneta vakasvikokanda maziso
mutsime ndokuramba vangoti ndee semunhu
abatwa nebuka.
~ 131 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 132 ~
Abraham Makamera
~ 133 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 134 ~
Abraham Makamera
~ 135 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 136 ~
Abraham Makamera
TSAURO 17
M
onica zvaaakatorwa akaendwa naye
kukamba.Vachindosvika mukamba
vakapinda mune imwe hofsi yainge
yakashongedzwa zvakanaka.
"Garai pabhenji iro," akadaro mupurisa
wechirume ainge abva naMonica.
Promise ndiye akatanga kugara,Monica
ndokumbosara akamira achiverenga mapepa
ainge akanamirwa kumadziro kwehofsi iyi.
"Ko imi tokubatsirai sei?"Uyu aiva mupururisa
uya ainge avapa pekugara.
"Ndini ndina amai ava,mudzimai wangu,"
akadaro Promise achinongedza Monica uyo ainge
achakangomira.
"Zvakanakai ini ndinoitwa Sajeni
Soko.Mudzimai wenyu ndange ndambomutaurira
zvangu," akadaro mupurisa uya ndokubuditsa
chinyoreso chake ave kunyora nyora.
Monica akazogara pasi akagumbatira dumbu
sezvinonzi rairwadza. Makamboita karunyararo
mupurisa uya ainge ari mubishi rekunyora
mapepa ainge akazara patafura.
"Mapedza here Sgt?" akadaro mupurisa
wechikadzi uya ainge achinyora kutsime.
"Ndava kutopedza," vakadaro vachivhomora
rimwe bepa raiva pakati pemabhuku aiva
patafura iyi.Vakaenderera mberi voti,"Ava
vanonzi Constable Jena.Ndinofunga mambovaona,
tange tiri tose," vakadaro vakatarisa
Promise.Iyewo Promise akangogutsurira musoro
~ 137 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
pasina chaataura.
Mushure mekunge vapedza kunyora
vakatambidza Jena bepa ravainge vanyora nyora
ndokuti, "Enda navo kuroom 8. I think ndiko kuri
free. Record everything zvavachataura and let
me know kana wapedza."
"Ok sir," akadaro Jena ndokutorana naMonica
vave kubuda.Vakandopinda mune imwe hofsi
ndokubva vagara pasi.Monica akabvunzwa
zvaaiziva maringe nenyaya iyi
ndokutsanangura.Zvose zvaaitaura zvainge zviri
kunyorwa pasi.
"Saka hapana mumwe munhu wamakaona
here,kana kusangana naye muchienda
kutsime?"akadaro Jena.
"Kwete hapana," akapindura Monica achibata
musana wake.Jena akatsikitsira ndokumbonyora
nyora,akazosimudza musoro ndokutambidza
Monica bepa raainge achinyora
ndokuti,"Verengai, then mosaina pakanzi signed
apo," akapedzisira nekutambidza Monica
chinyoreso.
Monica akambotora kanguva akatsikitsira
akatarisa pabepa iri. Mushure ndokuzorigadzika
patafura ava kunyora zita rake.Akadzorera bepa
riya kunaJena uyo akabva ariisa pakati pemamwe
mapepa aaiva nawo.Jena akatora kapepa kaye
kaainge abva nako kurwizi
ndokukukabhedhenura.Akatora chinguva achiita
semunhu ari kutadza kuverenga zvaiinge
zvakanyorwa ipapo ndokuzobva azoti,"Ko
mungaitawo ruzivo memunhu anonzi mai
Samson?"
"Um," akamboita semhunhu ari kufunga
~ 138 ~
Abraham Makamera
~ 139 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 140 ~
Abraham Makamera
~ 141 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 142 ~
Abraham Makamera
chiratidza kushungurudzika
zvakanyanya.Zvechokwadi Promise ainge ave
kuita seechapenga nekufunga.Ndiko kwakanzi
nevakuru kuenda parumananzombe.Ainge ava
kuona sekuti rufu ndirwo rwega rwaigona
kumubvisa panyaya dzaainge akatarisana nadzo.
"Hapana," akapindura ndokubva atanga
kuchema.Apa vainge vave kuswedera padyo
nemusha wavo.
"Mai Tavonga,ndiudze chokwadi. Hausiwe here
wakapara mhosva iyi?" akadaro Promise misodzi
ichidzika nematama.
Monica akatarisa murume wake ndokuti,"Nhai
Promise unondifungireyi zvinhu zvakashata
kudaro? Handina moyo wakadaro ini," akadaro
misodzi yajenga mumaziso.
"Ndangobvunzawo ini. Chiregera
kuchema,tarisa tava kusvika pamba," akadaro
Promise achinyaradza Monica.Vakapinda
muchivanze zuva richangonyura munamai
varo.Mai Muchaneta vachiona Monica adzoka
vakanzwa kurwadziwa zvekuti vakasimuka kubva
pavainge vakagara vachiita semunhu ari kutiza
nyoka.Vakaenda kudare uko kwainge kune mhuri
yaVaZindoga pamwe chete nemhuri
yemushakabvu. Vakasvikosimudza VaZindoga
zvokuti vanhu vose vakazvishaira shumo yazvo.
"Huyai muone mwana wenyu.Mukati haana
kudyiswa iyeye?" vakadaro vachidhonza
VaZindoga ruoko.
"Zvaita seiko nhai Masibanda? Chimbomira
timbopedzisa nyaya iri apa," vakadaro VaZindoga.
"Haangateveri mhondi kumapurisa
mhani.Tarisai atadza kuvharirwa nekuda
~ 143 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 144 ~
Abraham Makamera
TSAURO 18
M
udzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye.
Vanhu vakaita mazuva maviri vakaungana
pamusha paVaZindoga vakamirira kuuya
kwemutumbi.Waingoona zviri zvitutu zvitutu zvevanhu
vari pamusha apa, nyaya ichingova imwe cheteyo
yefro yainge yaita mukadzi uyu.VaZindoga ndivowo
vainge vakagara nemhuri yavo pasi pemumango
waiva nechekuchamhembe kwemusha wavo.Chiso
chavo chainge chichiratidza kushungurudzika. Vaiti
vakatarisa mwanakomana wavo Promise, waiona
harahwa ichidzungudza musoro.Vakasimudza chituro
chavainge vakagarira ndokuteverera mumvuri uyo
wainge wave kupesana nezuva. Vakagara
vakazendama nehunde nemuti uyu.Zvechokwadi
murume mukuru ainge abaiwa panyamanhete.
Vakatora kanguva vakabata shaya misodzi
ndokutanga kuyerera ichidzika nematama ayo ainge
adzokera mukati.
"Musha wangu wapindwa neiko chaizvo?
Zvichibva newe iwe," vakadaro vachibaya
Promise netsvimbo yavo. Promise akangoramba
akatsikitsira, ndizvo zvimwe nevanin'ina vababa
vake. Chainyanya kunetsa varume ava ifro
yainge yaita mukadzi uyu. Kuti vati ainge
azviuraya zvakavaremera.
"Nhai Tete zvakanyatsofamba sei kumba
kwenyu uko?" akadaro munin'ina waVaZindoga
achibvunza hanzvadzi yake.
"Saka muri kuti ndini ndakauraya here?"
vakadaro mai Muchaneta vachisimudza musoro.
~ 145 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 146 ~
Abraham Makamera
~ 147 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 148 ~
Abraham Makamera
~ 149 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 150 ~
Abraham Makamera
~ 151 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 152 ~
Abraham Makamera
TSAURO 19
K
o ndiani aiziva kuti mapurisa epaChikuku
aizosvika mudunhu raishe Matondwe? Ko kuzoti
kusvika pamusha wemwana wavaBvudzijena?
Hapana aifungira kuti zvose izvi zvichaitika musi uyu.
Pakapera masvondo maviri mushure mekunge
kwaitika nhamo kumba
kwaVaZindoga.Mwanakomana wavo, Promise
ainge adzokera kuHarare uko
kwaaishandira.Varoora vavo vaviri vainge varipo
pamusha wavo vachingombeya mbeya
nemusha.Dzainge dzava nguva dzemasikati. Zuva
raipota richimbobuda apo neapo sezvo kunze
kwaiva nemakore.Vazukuru vaVaZindoga rainge
ringori jwiriri jwiriri panze vachitamba chihwande
hwande. Ivo VaZindoga, mudzimai wavo pamwe
chete namai Muchaneta vainge vagere muimba
yekubikira vachikurukura.
"Sekuru pane mapurisa ari kuuya kuno,"
chakadaro chimuzukuru chaVaZindoga chakamira
pamusiwo.
"Ungabva waita sezvinonzi hauzive mapurisa
seiko nhai Tinevimbo?"vakadaro VaZindoga,
ndokuenderera mberi voti, “Chienda undotamba
nevamwe panze apo."
Tinevimbo chakabva pamusiwo ndokuenda
kuseri kwaiva nevamwe vezera rake. Pasina
chinguva mapurisa aya ainge ave muchivanze
chaVaZindoga. Vakahukurwa neimbwa dzaiva
pamusha apa ndokuramba vakamira pakati
pechivanze.
~ 153 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 154 ~
Abraham Makamera
~ 155 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 156 ~
Abraham Makamera
muchivanze.
Mai Mavis vacheuka ndokuona mapurisa
akamira akavatarisa.Havana kupindura ndokutura
mugomo vave kudurura mvura muchirongo
chaiva muberere reimba yekubikira.
"Ko kwakanaka here?" vakadaro vachifamba
kundokwazisana nemapurisa aya.
"Hongu tavinga imi in connection nesuspected
murder case yatiri kuferefeta," akatsanangura
Soko akatarisa mai Mavis avo vainge
vakangomira vachiteerera zvaitaurwa.
"Zvino mati ini ndinokubatsiraiwo neiko
zvangu? Ko akauraiwa wacho ndiani? Akaurairwa
kupiko munhu wacho? Uye Riini?" vakaradanura
mibvunzo yose iyi vasiri kupa mapurisa aya nguva
yekupindura.
"Zvino zvamava kubvunza mibvunzo hobho
hobho munoda tikupindurei sei?" akabvunza
mupurisa uya wechikadzi.
"Ndati ndingakubatsirai neiko pakuferefeta
nyaya yenyu yamataura nezvayo nhai
maofficers?"
"Amai zvamunoona tauya pano kudai, muri
umwe wevanhu vanofungidzirwa kuti makauraya
mushakabvu watiri kutaura nezvake." akadaro
Mukadzi uya achikanda nhanho kuenda paiva
namai Mavis.
"Munondishurira here imi?Ini kuuraya?Ani
wandakauraya? Aya ndiwo anonzi mashura
chaiwo," vakadaro mai Mavis vachikwidza inzwi.
"Tiri kukusungai nekupomerwa mhosva
yekuuraya Zadzisai Sunganai musi wa21 June iyo
yamuri kunzi makapara pamwechete naEunice
Tsau,Tafadzwa Zindoga,Joyce Gaza uye Promise
~ 157 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 158 ~
Abraham Makamera
~ 159 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 160 ~
Abraham Makamera
TSAURO 20
P
akapera mazuva maviri mushure mekunge
vanamai Muchaneta vatorwa
nemapurisa.VaZindoga vainge vakagara muimba
yekubikira vachidziya moto sezvo kunze kwainge
kwafuma kuchitonhora musi uyu.Zvimvura
zvaisakasira zvakasangana nemhute iyo yaimhanya
yakananga kumavirazuva.Vadzimai vavo vainge
vakagarawo mumba imomo.Zviso zvevaviri ava
zvainge zvizere nekushushikana kwakanyanya.Painge
pasina aitaura nemumwe.Varoora vavo ndivo
vaingomira mira.Mumwe aibika sadza remasikati ari
muimba imwe chetewo yaiva naVaZindoga
nemudzimai wavo.Uyuwo Monica kana kuti mai
Tavonga vainge vari kuchitara uko vaisuka ndiro
dzainge dzashandiswa mangwanani emusi uyu.
"Ko madii matevera vatete mundonzwa kuti
zvakamira sei? Hamuoni vana vari kushushikana
here?" vakadaro mai Norest
"Unotoona kushushikana kwevaroora vako
chete, kwangu hausi kana kukuona? Ndivo vanhu
vakakonzeresa zvose izvi mumusha wangu,"
vakadaro VaZindoga ndokutora chimonera chavo
ndokusunga.Vakachitungidza
ndokukweva.Vakamboramba vakapfunda hutsi
ndokuzohwubuditsa pave pava.Zvechokwadi
murume ainge abaiwa panyamanhete.Waiona
nemeso avo ainge ave kungogara akatsvuka
seainge adirwa mhiripiri.
"Handiti ndeyemuguchu here nhai Shumba?
Ndizvo zvakaitika hapana zvatichakwanisa kuita.
~ 161 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 162 ~
Abraham Makamera
~ 163 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 164 ~
Abraham Makamera
~ 165 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
vatoenda.Akagadziririra ndokuonekana
navamwene vake avo vainge vangosara
nevazukuru vavo pamba apa.
"Wadii waenda mangwana muroora? Kwava
kudoka uku.Unozofamba sei kwasviba iwe
wakazvitakura?" vakadaro vamwene vake.
"Ndinofamba amai," akadaro Monica misodzi
yakajenga mumaziso.
"Usachema muroora ndezvekutoshinga
izvi.Ndizvo zvatovapo," vakadaro mai Norest avo
vasina akazovapindura.
Monica akabuda muchivanze ndiye munzira
nyengu.Akafamba ndokumbondomira pachiteshi
akamirira motokari.Akaona nguva yarebesa
pasina motokari yauya ndokufanofamba
achitevedza mugwagwa.Ati fambe fambe
akanzwa kutinhira kwemotokari kumashure
kwake ndokutsaukira padivi.Akamisa motokari
ndokupinda.Pasina chinguva ainge atova
pakamba yepaChikuku.
Achindosvika akabvunza nezvavatete vake avo
vakanzi vainge vabva paChikuku musi uyu
vachienda kudare redzimhosva kuMasvingo.
Haana kupedza nguva aripo ndokukumbira
kuziva kwaiva nedare redzimhosva muMasvingo
izvo zvaakawana nekuchimbidza pakamba iyi.
Akandokwira motokari dzaienda kuMasvingo
ndokundovirirwa nezuva achipinda
muMasvingo.Semunhu aiva mutsva mudhorobha
iri akamboita chadzimira chekushaya kuziva kuti
onanga kupi.Akazobvunza vamwe amai
vaizvitengesera pamusika wavo waiva padivi
pemugwagwa ndokuratidzwa kwaiva nedare
redzimhosva mudhorobha iri.
~ 166 ~
Abraham Makamera
~ 167 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 168 ~
Abraham Makamera
~ 169 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 21
K
achekacheka kanyama kamakonde.Izvi ndizvo
zvange zvaitika pakati paMonica naChipo. Kubva
musi wavanzwa kuti hama dzavo dzainge
dzauraya mukadzi wekuwanikwa akafra mutsime
uya,kuwirirana kwavo kwainge kwave kuvava kunge
gavakava. Chainge chavepo kupumhana uroyi uyu
achiti ndimai vako vakafurira tete vangu uyuwo achiti
nditete vako akafurira amai vangu. Nokudaro
VaZindoga vakambozama kugara nevaroora vavo pasi
kuti vambomirira kupera kwenyaya yaiya kumatare
edzimhosva,asi zvose zvakatorwa nemhepo.Vakadzi
vainge voita sevarumudzai kuri kungogara
vachichinjana zvibhakera.Sezvatinongoziva
machongwe haarire pamutanda mumwe chete,Chipo
akazoona kuti zvekugara pamusha paVaZindoga
zvingazokonzera kurasika kwehupenyu hwake achibva
asarudza kuenda kumusha kwavo.
Avawo vaMonica vangu vakasara vari voga
vachingotyaira zimbazi ravo iro rainge rave kuda
kubheuka.Kubva zvabva Chipo,Monica haana
kuzotora nguva achibva abatsirwa
nemwanakomana.
Pakapera mwedzi mushure mekunge Monica
abatsirwa akamuka mangwani ndokutsvaira
chivanze.Apedza akadzokera muimba yake
ndokundoyamwisa mwana wake uyo ainge ave
kuchema.Akazobuda imomo ave kuenda kuimba
yekubikirwa uko kwaainge ashevedzwa
navamwene vake.
"Ko zvaunongoswera wakagara pano unoti
~ 170 ~
Abraham Makamera
~ 171 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 172 ~
Abraham Makamera
~ 173 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 174 ~
Abraham Makamera
~ 175 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
MAGUMO
~ 176 ~