You are on page 1of 177

PANOMERA

MUSWE
PANONYEREDZA

Na
Abraham Makamera
Panomera Muswe Panoyevedza

ISBN: 978-0-7974-7939-5

Copyright © 2017/Abraham Makamera

All rights reserved.


No part of this publication may be reproduced, or
transmitted, in any form, or by any means, without
the prior written permission of the author.

Cover design and Interior Page layout by Pearl


Press Media
First printed and bound in Harare by Pearl Press
Media
+263 777 031 230; +263 775 101 750
ZVIRI MUBHUKU
TSAURO 1....................................................................4
TSAURO 2....................................................................9
TSAURO 3..................................................................14
TSAURO 4..................................................................20
TSAURO 5..................................................................25
TSAURO 6..................................................................30
TSAURO 7..................................................................36
TSAURO 8..................................................................42
TSAURO 9..................................................................48
TSAURO 10................................................................55
TSAURO 11................................................................62
TSAURO 12................................................................69
TSAURO 13................................................................75
TSAURO 14................................................................82
TSAURO 15................................................................90
TSAURO 16................................................................97
TSAURO 17..............................................................105
TSAURO 18..............................................................111
TSAURO 19..............................................................117
TSAURO 20..............................................................123
TSAURO 21..............................................................130
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 1

"M
onica!Monica!" vakadaro mai Mavis
vachigogodza pasuwo renhanga
remuzukuru wavo.
"Iwe Monica! Unoti huchiri husiku here? Muka
usiye wadiridza muriwo kubindu uko,"
vakapedzisa kutaura vave kupinda muimba yavo
yekurara.
Monica akati kwarakwashu, achibuda
mumagumbeze.Hope dzainge dzakaita kumugara
mumaziso kwazvo.Akazvitatamura
zvichisanganisira nekushama n'ai.
"Monica!,Mwana waTichaona uyu. Ah!
Zvakaoma."
"Tete!" akadavira Monica achivhundunyura
mbatya dzake dzaigara mubhegi.Akatora juzi rake
ndokupfeka.Akabuda munhanga make
ndokumutsa vatete vake vainge vachitsvaira
pachivanze.
"Ko kuzorara sezvinonzi mune vashandi zvaita
seiko? Chero ivo vane madhigiri vakamukira
kubasa wani."
"Kwete tete, ndakanonoka kurara
ndichiverenga."
"Hehedeee!Seka zvako mwana wemuera
Soko.Unoti munosvika kupiko nemabhuku
amunoda kuita mutsimba nawo aya? Pane mwana
wekwaBvudzijena wawakambonzwa akasvika
kuUniversity here?Handiti baba vako
vakachemera kuenda kuA' Level ichangotanga,
nhasi vari kupi? Handivo here vakabva vandoita
~4~
Abraham Makamera

bete rawira mumukaka kuHarare kwavakaenda


uko?" Vakazopedza kutaura Monica ave kutopinda
muimba yekubikira umo maakasvikotora mugomo
ndokubuda ave kunanga kubindu.
"Ndave kuenda tete," akadaro Monica atova
kunze kwechivanze.Panguva iyi Monica ainge ari
mufomu yetatu paKudadisa High School,mudunhu
raishe NeChirorwe, kuBikita.Monica aiva
mwasikana waTichaona Bvudzijena,ariyezve
dangwe rake.Akakura achigara naamai vake avo
vakazoshaya ave nemakore gumi nemaviri
ekuberekwa. Baba vake ainge akapedzisira
kuvaona aine makore manomwe vasati vaenda
kuHarare.Mushure mekushaya kwaamai vake
akatorwa pamwe chete nehanzvadzi yake,
Tapiwanashe, ndokuchengetwa natete vavo mai
Mavis avo vainge vasina kumboita mwana. Iri
rokuti mai Mavis ndiro ravaidanwa naro
kwavainge vakamboroorwa. Monica aiva
musikana mutsvuku zviri pakati nepakati. Aive
mupfupi zvishomanana.Chimiro nepachiso ndipo
painge pakaperera unyanzvi
hwanyadenga.Mwana ainge akanaka iyeye kunge
donwe redova riri pashizha. Toenda kunyaya
dzemabhuku ndiko kwaaidanwa akadavira.
Hapana aiti pwee kana yasvika nguva yekudzidza.
Munzira aifamba zvake achiimba nziyo
dzekuchechi uku ruoko rwerudyi ruchiridza
mugomo.
Akasvika kubindu ndokutanga kudiridza
muriwo.
Mai Mavis vakasara ndokupedzisa kutsvaira
pachivanze.Vakadzokera muimba yavo yekurara
ndokumbodzokera mumagumbeze sezvo

~5~
Panomera Muswe Panoyevedza

kwaitonhora.Vakambotora chinguva varimo


vachitambisa nharembozha yavo.Vakazobuda
ndokurovera musuwo vakupinda munzira
votevera muzukuru wavo.
"Ko asi pane ambokubatsira here?" vakabvunza
mai Mavis vakamira pasasa rebindu.
Monica akati tendeu achivhunduka
semukuwasha asvikirwa achichachura gapu
renyama nambuyawasha.
"Kwete tete" Akapindura achirereka
musoro,chiso chizere kunyemwerera.
"Ari seiko muzukuru wangu?" vakadaro Mai
Mavis vachigara pamugoro waiva padyo nesuwo
rebindu.
"Upiko iyeye tete?"
"Unoda titaure nemazita here?Asi vawanda
here?"
"Zvavatetewo vasikana,nezera rangu rino here
tete?" akadaro achichera mvura ndokudiridzira
muriwo.
"Zvichine zera here mazuva ano muzukuru?
Zvawatotumbuka chipfuva kudai watokura."
Monica akangoseka zvake ndokupedzisa
kudiridza.Apedza kudiridza akachereredza mvura
mumugomo ndokuenda kumba.Akasvika kumba
hanzvadzi yake yatopedza kugadzirira kuti aende
kuchikoro.
Akasiya mugomo muimba yekubikira
ndokupinda munhanga make.Akasvikotora
nharembozha yake yaiva mubhegi rinogara
mbatya dzake ndokuona pachiratidza kuti pane
ange ambofona.
Akatarisa ndokuona ndiPromise,ndokubva
aridza tsamwa achidzorera nharembozha makare.

~6~
Abraham Makamera

Promise aiva mwanakaomana


wavaZindoga.Ainge ave nenguva yakati kuti
akanda shoko kuna Monica.
Monica akakanda nhanho achibuda munhanga
make semunhu ainge anonoka.
Akagadzirira ndokuenda kuchikoro.
Mai Mavis vakasara kubindu ndokumbogadzira
madomasi avo ainge ave kuda
kubereka.Vapedzazvo vakavhara suwo rebindu
ndokuenda kumba. Vakasvikowana mai vavo
vaMakunge vakagara pachiruware chaiva kunze
kwemusha vachidziya zvavo mushana.
"Ko wange wamukira kupi kunotonhora kudai?"
Vakadaro vaMakunge vachitora nhekwe yavo
yefodya yainge yakasungirirwa pachichari
chavainge vakamonera.
“Ndange ndaenda kubindu nemuzukuru
kumbondodiridza."
"Asi haana kuenda kuchikoro here nhasi?"
vakabvunza vaMakunge mushure ndokutswinya
fodya yavainge vaisa muchanza chavo
chekuruboshwe ndokuitsokodzera
mumhinho,ndiye hotsi hotsi, zvidzihwa zvaiva
zvakasviba kuti ndoo ndokuyerera zvichidzika
kumuromo.Vakapukuta nechichari chiye
ndokudzosera nhekwe payainga iri.
"Aenda uyo,atondisiya ndiriko," mai Mavis
vakawaridza rupasa ndokugarira.
"Iye mazuvaano ndichambonyatsomuona
zvakanaka here muzukuru wenyu iyeyi?"
"Aita seizve?"
"Achambogara pasi here?Kungodai
ndichamboenda kuchikoro,kudai ndichamboenda
kundoona shamwari yangu."

~7~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Ko zvakashateiko nhai mwanangu. Rega


mwana adzidze, ..."
"Kudzidza kupiko amai? Baba vake
vamakadzidzisa vari kupi nhasi uno.Hamuna kana
kobiri rake ramakadya,zvino ini mati ndiite
zvimwe chete here?"
"Uri kurevei nhai mai Mavis?"
"Dai atoita zvake zvemusha tagara tadya
pfuma."
"Kuti kudaro nhai, apa unenge une..."
Havana kuzopedza. Promise akabva
asvika.Vakakwazisana ndokubvunzana
mufaro.Mushure pakataurwa zvakasiyana siyana,
Promise ndokuzosimuka ave kuenda.
"Ndiye muzukuruka uyu abva pano," vakadaro
mai Mavis vachishereketa semudzimai ane
nhumbu.
"Uri kurevesa here iwe?" vakadaro vaMakunge
vachishamisika.Ko muzukuru wavo ainge
ariwanirwa nani jaya rakatsvinda rikadaro.
Vakagutsurira musoro sedhambakuro
ndokuzopedzisira nekurovanisa maoko.
"Zvino makatoziviswa here?" vakabvunza
vaMakunge vachida kunyatsonzwisisa.
"Zvemazuva ano uchamirira kuudzwa here?
Unongoona wega kuti uhwu hwushamwari hwati
siyanei nehwatinoziva.Kana muchida kuzvionera
pamhuno sefodya endai mundotsvaga huni
kugura uko zuva rovira."
"Pakanaka mwana.Regedza ndiende kumba
ndingawana tsoko dzapedza mapopo angu,"
vakadaro vaMakunge vachisimuka kubva
pavainge vakagara.Vakabuditswa chivanze
nemwana wavo ndokuenda kumba kwavo.

~8~
Abraham Makamera

Zuva rava kugara makomo Promise akapinda


munzira onanga kuKudadisa High School
kundotaimira tsvarakadenga yairwarirwa nemoyo
wake.Haana kuzosvika pachikoro
chaipo,asangana naMonica uyo ainge ari
oga.Chokwadi mudzimu yake yainge
yamurangarira.Ndiyo nguva yaaigarochemera
pose paaifunga nezvekuona Monica.Vaviri ava
vakakwazisana ndokumbotaura zvakasiyana
siyana.Vakazoti vati fambe fambe, Promise
akaisimudzira yake yaainge
afambira.Mwanasikana akamboda kuti
pamunondo pamusasa, mukomana ndokuramba
akaruma chirebvu.
"Monie!I really mean it. Trust me," akadaro
Promise neizwi rairevesa.
Monica akasimudza musoro ndokutarisa
Promise mumaziso kwekanguva
ndokutsikitsirazve pasi.
"Ndiri kuzvinzwa Promise, and..." haana
kukwanisa kupedzisa kutaura ndokumbotora
kanguva akashama muromo zvekuti dai nhunzi
dzaigadzira uchi musi uyu dzingadai
dzakahugadzira mumuro maMonica.
"Tauraka nhai Monica."
Akadaro Promise achibata maoko
aMonica.Paiitika izvi vaMakunge vainge vave
mugura nechekare.Apa vainge vakahwanda
nezvimakwenzi vachinhonga zvitsotso sepasina
zvavaiona.
Monica akasimudza musoro rwepiri. Panguva iyi
maziso ainge aita kutsvuka kuti piriviri.Promise
akazviona ndokungoti nechemumoyo,“Ndizvo
zvaaanoita kana wamutanga musikana.”

~9~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Monica!"
"Promise!"akadaro Monica neizwi rakadzikama.
"I really love you,"akadaro Promise
achiswedera padyo naMonica.Akamubata
nechemuhuro zvakanyorovera.Akaisa muromo
wake pane waMonica, vaviri ava ndokutanga
kutsvodana.Monica akakatanura bhegi
remabhuku raainge akatakura ndokuritsveta pasi.
"Taswera muzukuru kana waswerawo?"
vakadaro vaMakunge vachibuda paseri
pemakwenzi pavainge vakahwanda. "Kwange kuri
sei kuchikoro?" vakaenderera mberi vamira zvino
vakabereka maoko.
"Kwange kuri right," akapidura chiso chizere
kunyara.Akanhonga bhegi remabhuku raive pasi
ndokupinda munzira onanga kumba.Promise
akambosara akamira ndokuzoonekana
navaMakunge ave kuenda kumba
kwavo.VaMakungewo vakatakura tutsotso
twavainge vaunganidza ndokuendawo kumba
kwavo.

~ 10 ~
Abraham Makamera

TSAURO 2

Z
uva rakatevera racho Monica akamuka zuva
ratobuda sezvo waiva musi
weMugovera.Akapinda muimba yokubikira
ndokubatidza moto,ndokuisa hari yemanhanga
pachoto.
"Sisi ndine nzara ini," akadaro Tapiwanashe
achipinda muimba yekubikira,apa maziso ainge
akazara mabori.Mbovha dzainge dzakaita
mutsara dzichitevedza matama ose.
"Tanga wageza kumeso,wozodya munya wako
uri muchiseme umo."
Tapiwanashe akatora mvura chinyararire
ndokubuda panze ondogeza kumeso.Akadzoka
ndokutora munya wake ndokudya.
"Ko tete vaenda kupi?" akadaro Tapiwanashe
achigura musuva wesadza ndokumbousvinyanga
svinyanga,mushure ndokugadzira kakomba
ndokuunyika muderere.Akaubuditsa ndokuukanda
mumuromo zvose nezvigunwe.
"Havako here?"akapindura Monica
achishamisika.
"Havako avo."
"Handizivewo ini,ndatoti zvimwe vakacharara
ini."
Akakuchidzira moto wainge wave kumhova,
ndokuwedzera mvura muhari yemanhanga yainge
yave kutsva.Apedzazvo akabuda panze
ndokundomira akazendama nechitara,apa ruoko
rwerudyi rwainge rwakabata dama rekurudyi
sezvinonzi rainge rave kuda kudonha.Akambotora
~ 11 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

kanguva akamira semunhu aifunga zvakati


dzamei.
"Uri kufungeiko nhai muzukuru zvawamira
semunhu afrwa kudaro?" ava vaiva vaMakunge,
mbuya vaMonica vaitaura vachiswedera paiva
naMonica.
Monica akatendeuka ndokutarisana nambuya
vake vainge vataura.Haana kukwanisa kuvatarisa
mumaziso nekuda kwenyadzi.
"Hapana zvangu mbuya," Akapindura ava
kufamba achienda kuimba yokubikira.VaMakunge
vakamutevera ndokusvikogara pasi.Pakamboita
karunyararo pasina ari kutaura nemumwe.
VaMakunge vainge vari bishi nekutsokodzera
fodya mumhino dzavo,uyuwo Monica aingogofa
gofa moto zvematandanyadzi.VaMakunge
vakasimudza musoro ndokutarisa muzukuru wavo
ndokuona mwanasikana akatsikitsira pasi
semuroora achangosvika pamusha.Kuti titi dzaiva
tsika tinganyepe.
"Monica!"
"Mbuya," akapindura Monica achisimudza
musoro apa chiso chizere nyadzi.
" Ndicho chii chiya chawaiita nezuro?
Zvemabhuku tsve, wava kuita zvevakomana
nezera rako irori."
Monica akaramba akanyarara achishaya
zvekutaura.Akatsikitsirazve pasi ndokumboruma
ruma zvigunwe.
"Ndipindure mhani iwe.Chauri kuda chaicho
chii? Unotambisirei mari yangu nhai iwe? Iko
kapenjeni ikako ndoti regaiwo ndikuendese
kuchikoro iwe wondiitira tsvina dzakadai,"
vakapaumba vaMakunge izwi rakwira zvino.

~ 12 ~
Abraham Makamera

Monica paakati apindure, Mai Mavis vakabva


vapinda mumba vakagukuchira pasuro yainge
yakaputirwa.
"Makanaka here mumba muno muri
kupopotewa kudai?" vakabvunza mai Mavis
vachigara pasi.
"Kunogonakei? Ndiri kutoda kuziva kuti ndiwe
here uri kubvumira madhaka andakaona nezuro
kugura uko.Mwana mucheche anoita chinyadziso
achigara navatete wakambozviona kupi?"
vakadaro vaMakunge ndokuvhomora nhekwe
yavo yefodya ndokuisa fodya mumhino.Chembere
iyi yaizoitawo seyakarumurwa nefodya zvekuti dai
yaikodza vangadai vakaita mutumba senzou
chaiyo.VaMakunge vaive nemuviri
mutete,vachiratidza kuti pahumhandara hwavo
vaiva munhu murefu.Chiso chairatidza kuti vainge
vasina kumbosiyana nemuzukuru wavo
Monica.Zvino nekuchembera zvose zvainge
zvangova matakadya kare.Chiso chainge
chaunyana zvino.Kufamba vainge vobatsirwa
nemudonzvo apa musana wainge woita sewegeja.
"Murikureveiko nhai amai? Wamuri kuti
mucheche ndianizve?" vakabvunza mai Mavis
vachiratidza kushamisika.
"Vana kuita semhuka. Chokwadi tsika dzedu
dzarasika.Regai mvura irambe kunaya."
"Ndipo pamunonetserawo vanhu vekare imi.
Nyaya dzenyu ndedzekungorova imbwa makaviga
mupinyi, tsvee kungoti bvoo pane nyaya chaipo."
"Mubvunzeka muzukuru wako uyu ari apa,"
vakadaro VaMakunge vachinongedzera kuna
Monica.
"Inyaya yechiiko nhai Monica?" vakadaro mai

~ 13 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

Mavis vachida kunyatsonzwisisa.


"Mbuya vakandiona nezuro ndina Promise,"
akapindura Monica neizwi rakadzikira.
"Ahhh ndiyo nyaya yacho here iyoyo?"
vakambomira ndokuguma guma rukuni rwainge
rwoita utsi.Monica akangogutsurira musoro
ndokuramba akanyarara.
VaMakunge vakazviona vakati
vaisimudzira,"Chaunogutsurira musoro ipapo chii?
Wakakwana here iwe mwana waTichaona?"
"Hasha ndedzei amai, handiti ndiye muzukuru
wandakakuratidzai nezuro here panze apa?
Tikatowirirana kuti azviwanira munhu akatsvinda
wani. Chashata ipapo chii?" ava vaiva mai Mavis
vaizama kudzikamisa amai vavo avo vainge voita
kupupira furo nehasha.
Zvechokwadiwo nezuro wacho vaMakunge
vainge vawirirana nenyaya yekuti Promise aiva
mukomana ainge achiyemurika.Chisina kunge
chazivikanwa namai Mavis ndechekuti
VaMakunge vainge vasina kuwirira nenyaya
yekuti Monica amhanyise tsuro mbiri panguva
imwe chete.
"Une kobiri rawakabvisa here iwe pamwana
uyu? Haunyare wakaita sei Ratidzai? Mukadzi
mukuru anofurira mwana tsika dzakashata
kudaro."
"Zvaamai vasikana,nyaya yandaingokuudzai
nezuro ndiyo yamuri kungotsimbirira.Hee chikoro,
hee chino.Gotwe renyu ramakadzidzisa riri kupi
nhasi? Handiti imari yamakangotambisa paya? Iyi
modazve kuti iende ichichema,hamunzwe
makaita sei? Mwana akaroorwa mukanhonga
yenyuwo mundiro pane chakashata here ipapo?"

~ 14 ~
Abraham Makamera

vakadaro mai Mavis.


"Ndagara ndichanhonga
mwanangu.Chaunofanira kuziva mwanangu
ndechichi,upenyu hwemazuvano hwasiyana
nehwedu hwekare.Ikozvino akandotadza kugara
kumurume ikoko handiti anodzokazve pano
kuzomirira penjeni yechembere ino here? Tsvee
kuzozvishandirawo nemaoko ake ayo.Chero ari
pamurume wake ipapo,handiti vanotobatsirana
zvinhu zvichiendeka?" vakadaro
vaMakunge,ndokutarisa muzukuru wavo uyo
ainge akangotsikitsira pasi.Vakaguma guma fodya
yainge yasarira mumaoko avo ndokuti,"Monica!"
"Ambuya."
"Chimboita zvemabhuku muzukuru,ndapedza
ini mwana waDhehwa," vakapedzisira nekufura
madzihwa nechichari chavainge vakamonera.
Monica akatarisa vatete vake ndokuona
vakamutarisawo vachimwerera,vaine chiso chaiti
mudzimu haupe kaviri, chawawana batisisa
muzukuru.Monica chaakangokwanisa kuita
kugutsurira musoro,ndokusimuka onanga
panze.Akandogara paruware achifunga zvekuita
nenyaya yaPromise.Pfungwa dzakambomuti
siyana naye umbotevedzera zvarehwa
nechembere iyi,moyo ukati kwetezve,
mwanasikana mhodzi yerudo
zvayamerazve.Mwanasikana akasimuka paainge
akagara ndokuenda kunhanga
kwake.Akasvikotora nharembozha yake ndokuona
Promise abvira kare achingofona pasina aidavira.
"Nxaa zvinopenga zvichimbere izvi!" akaridza
tsamwa achizama kufonera Promise.Akaramba
akaisa nharembozha panzeve ndokunzwa

~ 15 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

haisisina mari.
"Eish! Airtime yangu yapera nguvaizve,asi tete
vamboshandisa nhare yangu?" akadaro achitaura
ega.Akamboramba akamira kwekanguva
achifunga zvekuita.Akakanda nhanho achibuda
panze, ndokumbotenderera nechivanze sepane
chaaitsvaga.Mushure akadzokera munhanga
make ndokusviko chinja mbatya dzaainge
akapfeka. Akabuda ndokupinda munzira yainanga
kumagirosa.Kwainge kwava kuendwa zvaitoda iye
Monica kuti atsanangure.Zvainge zvangoita
fungira mumoyo rwendo rwembwa.
Muimba yekubikirawo, mai Mavis naVaMakunge
vakambosara vachikurukura twakasiyana
siyana.VaMakunge vakazosimuka voenda kumba
kwavo.
"Usatunhidza mwana tsika dzakashata mai
Mavis.Izvozvi angobuda unoziva kwaaenda here?"
vakabvunza VaMakunge vave kubuda
muchivanze.
"Zvimwe aenda kushamwari yake kuna Rose
uko," vakapindura mai Mavis vachidzokera
muimba yekubikira.
"Hoo kana ari Rose wechokwadi bva
zvakanaka," vakadaro vonanga kumba kwavo.Mai
Mavis vakasara ndokuvhundunyura pasuro
yavainge vauya nayo kubva kwavaZindoga
vanova baba vaPromise.
Mai Mavis vaiva mukadzi mukobvu ari murefu
zviri pakati nepakati.Tsika nehunhu
ndinganyepa,zvotoda tizvionere tose pano.

~ 16 ~
Abraham Makamera

TSAURO 3

B
ere ratakura mbudzi,imbwa ndokushaya hanya
nazvo,zvine chirevo.Promise akamuka
mangwanani emusi weChina ndokunanga
kurwizi kundogeza.Apedza akadzokera kumba
ndokusvikopfeka mbatya dzakanaka.Akazviringa ringa
pachiringiro chaiva pagonhi rewadhiropi yake
ndokuguma guma zvimagumbeze zvaiva pamudhebhe
waainge akapfeka.Akatora ngowani yake
ndokuigadzika mumusoro.Jaya rakadzokera
pachiringiro rwepiri ndokutora kachinguva
riripo.Akagutsurira musoro ndokufamba achibva
pachiringiro.Akabuda mugota make akatakura kabhegi
kadiki,kerudzi rwepfumbu.
Mukomana akaonekana namai vake pamwe
chete nababa avo vainge vari kudanga vachikama
mombe.
"Ukurumidze kudzoka,nguva yezororo iyi
inonetsa haide kuti munhu afambe usiku,"
vakadaro VaZindoga, baba vaPromise.
"Ehoyi baba," akadaro Promise
achizvikakanyadza achibuda muchivanze.
Akatora nzira yainanga kwaamai Mavis,ndiye
rukova Nyamapere yambu.
Munzira aingofunga maswerero aaizoita
netsvarakadenga yake Monica sezvo range riri
zororo reKisimusi.
Achindosvika akawana mai Mavis vagere zvavo
muimba yekubikira,vachiundura huku yavainge
vauraya.Tapiwanashe chainge chichisvina
matumbu ehuku chiri kuseri kwehozi. Monicawo
~ 17 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

ainge ari munhanga make achiti akambopfeka


rokwe reruvara rutsvuku rine madodzi dodzi
matema ozviringa ringa oribvisa,opfeka siketi
nechipika zvakafanana
obvisazve.Akavhundunyura bhegi rake
ndokubudisa mbatya dzose ndokutora rokwe rine
maruva maruva ndokupfeka.Akazviringa ringa
ndokugutsurira musoro.
Zvechokwadiwo rainge rakamugara,aiita
seakazvarwa naro.
"Iro izwi raPromise chete," akakadaro
achiswedera pasuwo renhanga
ndokuteerera."Azokurumidzisa mhani,apa tete
ndange ndisati ndatombovaudza..." akadaro
achitaura ega.
Akapfeka gogo dzaainge akatengerwa
nabamunini vake,munin'ina wababa
vake.Mwanasikana akakanda nhanho shanu
dzinenge nhanhatu ndokumira pakati pechivanze
kwekanguva.
Pachokwadi mwana ainge akaumbwa
iyeye.Akazosimudzira ave kuenda muimba
yekubikira aine kufamba kunoti kuzorori
zorori.Chero iye ari pamakwikwi erunako
haambosvika ipapo.
"Ko Tapiwa ari kupi nhai tete?" Akadaro Monica
achigwadama parupasa paiva pakagara tete
vake.
"Ari panze apo paari kugadzira matumbu ake,"
vakabura poto yaiva pamoto ndokugadzika imwe
yaiva nemupunga.
"Ko haumhorese vamwe here nhai Monica?"
vakadaro vaona Monica atora chinguva asati
akwazisa Promise.

~ 18 ~
Abraham Makamera

"Ndamumhoresa wani tete,asati atombopinda


muno," Akapindura achigara pasi.
"Ichokwadi here nhai Promise?"
"Ichokwadi tete," Promise akapindura achinyara
nyara.
Idzi dzaiva nhema dzoga dzoga,vaviri ava
vainge vasina kumboonana musi uyu. Ndiko
kwange kutori kutanga kuonana zuva iri.Chero
panharembozha vainge vasina kumbotaura vose
sezvo nharembozha yaMonica yainge isina moto.
"Bva zvakanaka muzukuru, tazomboti
Christmas box here?" vakadaro mai Mavis
vachiseka.
"Murikureva ini here tete?" Monica akabvunza
achizvibaya pachipfuva.
"Ndinogobvunza iwe une chii zvako mwana
waBvudzijena? Totobvunza vakabva kuHarare
ava," vakadaro vachikuchidzira moto.
Promise akasimuka ndokubuditsa chikwama
chaiva muhomwe yemudhebhe waainge
akapfeka.Akavhomora mari yemapepa inosvika
zana remadhora ndokutambidza mai Mavis.
"Waita zvako muzukuru,ugare kure nemoto.
Mutupo chii zviya?" vakadaro vachisungirira mari
iya pachichari chavainge vakamonera.
"Shumba Nyamuzihwa," akadaro achitsikitsira
pasi.
"Ahh muri babamudiki vangu.Murume wangu
aiyera Shumba Nyamuzihwa.Regai ndikutendei
nemutupo:

Maita Nyamuzihwa,
Shumba, Hara, maita Muchori.

~ 19 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

Maita vaNanga vasina mhezi,


Vakabva Buja nembondwe.
Maita Nechinanga, muzukuru waChakoreka.
Ewo Bonga, waChingate,
Muzukuru waMapahwe, vari Choma,
Ewoyi Shumba, maita Hara.
Maita Nonga rangu riri,
Maita Nyamuzihwa, maita vari Mangadza.
Maita vari Domboshava rina mavara
machena,
Dombo rakaramba kumera uswa nemiti,
Rinoti kukwira munokwira namabvi,
Rina makwapamakwapa anenge nzira.
Maita zvenyu Shumba,
Chikanda changu chichi,
Maita vaTsuri vamasawara.
Kana musipo hapana chinochekwa.
Maita Chiurayi, hekani Chikanda,
Mwana waMukombwe naNehoreka,
Chipfuyavarombo, hekani vaNjanja,
Maita Mutumbe, Donga, vari Man'anja,
Samanyara,
Zvaitwa Kondovha asingachariki mvura,
Mwana waChinyanga, asingadye imwe
mbeu,
~ 20 ~
Abraham Makamera

Kusiya kwezviyo chete.


Maita vari Tsatsa Mukonde,
Aiwa zvaonekwa Nyamuzihwa,
Tikafra pano wani." Vakadaro vachiombera.
"Zvamunotomuziva wese,ini
handitonyatsomuziva wese."
Akadaro Promise achishereketa.
"Haa baba vemwana hamusi serious
imi,motoudzirwa mutupo nemukadzi here?"
vakadaro mai Mavis vachiseka zvavo.
Paitaurwa zvose izvi Monica ainge akagara
zvake,chiso chakatarisa pasi.Akazovhundutswa
navatete vake vakamuzungunisa ndokumuraira
kuti apakure chikafu.
Monica akasimuka ndokupakura chikafu.Vanhu
vapedza kudya mai Mavis vakasimuka ndokuenda
kuimba yavo yekurara.Vakambopedza kanguva
varimo ndokuzobuda vachinja mbatya dzavainge
vakapfeka.
"Ndava kuenda kwababa Jerry,tiri kundoswera
ikoko.Ukurumidze kutevera," vakadaro mai Mavis
vachibuda muimba yekubikira.
"Handisi kuuya ini tete.Ndiri kuda kuenda
kuGrowth Point."
"Unoenda nani kure kose ikoko?" vakadaro mai
Mavis vachidzokera muimba yekubikira.
Monica akaramba akanyarara akatarisa
Promise kuti apindure.
Promise akati koso koso ndokuti,"Ndini ndiri
kuenda naye tete."
"Kana uriwe zvakanaka muzukuru,uchengete
vadzimai vako avo.Wotofamba uchivadzidzisawo

~ 21 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

mutupo wako," vakadaro vachiseka zvavo.


"Zvakanakai tete," akadaro Promise achinyara
nyara.Mai Mavis vakabuda ndokutorana
nemuzukuru wavo,Tapiwanashe
voenda.Vakadarika nekwavaMakunge vachivatora
ndokuenda kumba kwehanzvadzi yavo.
Monica akasara ndokusimuka paainge akagara
ndokuenda paiva naPromise.Akamubata nemaoko
ndokumusimudza paainge
akagara.Akamumbundira ndokumbotora kanguva
vakadaro.
"Waita zvako," akadaro Monica achitarisa
Promise mumaziso chaimo.
"It's ok babe. Ko ngatichibudaka tiende.
Tanonoka," akadaro Promise mushure
mekutsvoda Monica padama.
Monica akarongedza mapoto,mushure
ndokutevera Promise ainge atova panze.
"Ko tiri kudzoka nguvai?" akadaro achivhara
gonhi repamba yekubikira.
"Around 5. Asi uri kuda kukurumidza kudzoka
here?"
"Chero time dzatadzoka, asi ini handide
zvekufamba usiku," akadaro Monica achirereka
musoro.
Vaviri ava vakananaidzana vachienda
kumugwagwa.Vakatora nzira yaitevedza gwara
remombe kuitira kutiza veruzhinji.Vachindosvika
pachiteshi, hapana kupera nguva vasati vawana
motokari yaindovasiya paGrowth point chaipo.
Vachindosvika vakatsvaga chikafu chemhando
yepamusoro ndokudya.Promise semunhu ainwa
akapinda mubhawa ndokubuda akabata
mabhotoro ehuno hwutsvuku hwainge

~ 22 ~
Abraham Makamera

huchipfungaira utsi nechando.


"Ko ini ndinonwa chii zvawangouya nebeer rako
chete?"
"Tinonwa tese beer irori," akapindura achivhura
bhotoro rehwahwa.Akariti tsinda pamuromo,
ndokuhukweva,chero iyo mhuru iri kuyamwa
haisvikipo.Akatsveta bhotoro patafura
ndokuvhomora chitsama chemari ndokutambidza
Monica.Mwanasikana akarohwa nehana
ndokumboramba akatarisa ruoko
rwaimutambidza mari.
"Gamuchiraka nhai babe," akadaro Promise
achisimudza bhotoro rake ndokuridzorera
pamuromo.
Monica akatambanudza ruoko ndokutambira
mari.Vaviri ava vakadya vakafara musi uyu.Zuva
rakazoti rava kurova nhongonya, Monica ainge
ave kuchinjanisa zvinwiwa.Aiti akamboti dzvutu
hwefuro jena, ombonwa zvake zvaainge
azvitsvagira oga.
Zuva parakazogara makomo,mwanasikana
ainge ave kune imwe nyika.Akasimuka paainge
akagara ndokupinda mubhawa ndokubuda akariti
dzvii rino reBlack Label.Vakamuona musi uyu
vakangoti zvimwe ipfambi yemunharaunda iyi
sezvo rutsigo rwaanga abva narwo kumba
mangwanani rwanga rwatama.
Kuvira kwakaita zuva hapana kana
chaakaona.Vakazoronga kutsvaga kwekundorara
sezvo vainge vashaya motokari dzaizondovasiya
kumba.
Zvakaitika ndezvakaitika. Zvotoda ivo
vaviri.Monica akazongopepuka rave
rechimangwana racho muviri

~ 23 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

wakarukutika.Akamutsa Promise uyo ainge akafa


nehope ndokubva vaenda kundogeza.
"Ko kuzenge wakasuwa chii nhai Monica?"
akabvunza Promise aona chiso chaMonica chaiita
sechemunhu afrwa.
"Tete ndinovati ndakarara kupi?" akabvunza
misodzi ichitanga kuyerera nematama.
"Usachema. Ndinotaura navo inini,"
akambundira Monica ndokumupukuta misodzi
yainge yoita serukova pamatama.

~ 24 ~
Abraham Makamera

TSAURO 4

M
onica akasvika kumba zuva rogara
makomo.Tete vake, mai Mavis vainge vagere
zvavo paruware vachiruka juzi raTapiwanashe
rekuchikoro.
"Titambire muzukuru," vakadaro mai Mavis
vachitsveta zvirukwa pasi. Vakasimuka kubva
pavainge vakagara ndokufamba vachindosangana
nemuzukuru wavo.Vakatambira pasuro yainge
yakabatwa naMonica ndokupinda nayo muimba
yekubikira.
Monica akafambawo achipinda munhanga
make.Akasvikogara pasi ndokutanga kubaya baya
nharembozha yake.Mai Mavis vakambotora
kanguva vari muimba yekubikira,vakazobuda
ndokutevera muzukuru wavo kunhanga
kwake.Vakasvika ndokumira pasuwo
vakamutarisa.Chiso chaMonica chainge chizere
kunyemwerera.Akamboruma ruma nzwara
yekasiyanwa akatarisa panharembozha yake.
"Inga uri kunakirwa zvako.Uri kutaura nani
zvako wabva wafara kudaro?" vakadaro mai
Mavis vachipinda mukati.
Monica akavhunduka ndokusimudza
musoro."Hapana tete," akapindura,ndokusimuka
painge akagara.
"Ko kuzononoka kudzoka zvanzi chiiko mainini?
Dai makandiudzaka kuti uri kurara ikoko zvainge
zvakaipei?"
"Ndakazoshaya motokari yekudzokesa
tete.Dzainge dzazara zvekuti ndakatadza
~ 25 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

kutsikinyidzana nevanhu ini," akapindura


achifamba famba.
Mai Mavis vakazviziva kuti idzi dzaiva nhema
dzoga dzoga. Vakabva vati, "Zvakanaka
muzukuru." Vakatendeuka ndokubuda vodzokera
kuimba yekubikira.
Monica haana kumbotora chinguva achibva
atevera vatete vake.Achangogara pasi
vaMakunge vakabva vasvikawo.Vakakwazisana
ndokumbotora kanguva vachikururukura
dzakasiyana siyana.
VaMakunge vakavhomhomora nhekwe yavo
yefodya ndokugugudzira fodya muchanza chavo
chekuruboshwe.Vakaitswinya nezvigunwe
zverudyi ndokuikwevera mumhinho,misodzi
ndokumboyerera nematama. Chembere
yakahotsira katatu kanenge kana ndokukweva
fodya yainge yasarira muchanza.Chembere
yakatora kanguva yakatsikitsira misodzi
ichichururuka.
Vaiziva vaMakunge vaiti vakaona zvadai
vaisuduruka kubva padyo navo nekuti waigona
kuzopepuka wagarwa nawo mudonzvo wavo.Izvi
zvaiwanzoitika kana paine nyaya yainge
ichivashungurudza.Mai Mavis semunhu aiziva
amai vavo vakashereketa zviya zvekuti muzukuru
wavo Monica avatarise.Monica semunhu aiva
murima pasina zvaaiziva akaramba akatsikitsira
achibaya baya nharembozva yake.Mai Mavis
vakabata rukuni rutete rwaiva muchoto
ndokugofa gofa moto vachiswededza marasha
pedyo nepaiva netsoka dzaMonica.Monica
akanzwa kakudziya ndokutarisa wanei makumbo
ava mumazimbe emoto.Akatarisa vatete vake

~ 26 ~
Abraham Makamera

ndokuona chiso chavo chizere


kushushikana.Akaramba akatarisa vatete vake
avo vakazoshama muromo ndokutaura nezeveve
zeve raisanzwikwa vachiudza muzukuru wavo kuti
abude panze. Monica akati kwanyanu paainge
akagara, ndokufamba ava kubuda panze.Paakati
apfuure paiva navaMakunge akanzwa rokwe
raanga akapfeka rahakwa.
"Urikuenda kupi? Dzoka ugare pasi," vakadaro
vaMakunge vakachangobata rokwe remuzukuru
wavo.Monica akatendeuka ndokufamba
achidzokera paainge akagara.VaMakunge
vakapukuta chiso chavo icho chainge chaita
semunhu adirwa mvura kumeso.
"Monica muzukuru,ndiudzewo kuti chii chiri
kukunetsa?" vakabvunza vaMakunge vakatarisa
muzukuru wavo uyo ainge ari mubishi nekutinya
tinya nharembozha yake.
"Hapana ambuya" Akapindura akangotsikitsira
panharembozha yake.
"Une chokwadi chekuti unonwa doro
zvawakaita izvozvi? Unoda kutodza ani iwe?
Wakarara kupi nezuro?" Izwi rainge rashanduka
zvino.
Hongu vaMakunge vainge vadya makisimusi
akati kuti,asi kana nyaya dzekuraira dzichinge
dzatanga vaidzoka kuita mudzimai wechidiki
chaiye. Vainzwa simba richiuya mumuviri wavo
zvekuti mwana wavo mukuru vakatombomuvhara
nembama akandowira kwakadaro.
"Akarara munhanga make umo.Munoti
angarara musango mwana akura kudai achitadza
kuziva kudzoka kumba here? Iyo yekunwa doro
handitoizivewo.Asi mangoita zinzwa newakanzwa

~ 27 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

here guhwa rekwaMuvhimi kuti nzou dzoperera


mumariva?" Ava vaiva mai Mavis vaizama
kununurira muzukuru wavo uyo ainge ongobwaira
bwaira.
"Iwe Ratidzai nyarara! Ndinokugobora
netsvimbo iyi," vakadaro vachisimudza mudonzvo
wavo vachinongedza mai Mavis nawo.
Mai Mavis vakaona kuti zvinogona kungoipa
ndokuramba vakanyarara.
"Ndipindure Monica! Usandibuditsira maziso
anenge echidaira. Unoda kundivhundusira here?"
"Munoda ndikupindurei kuti chii nhai ambuya?
Handiti pane akuudzai kuti handina kurara kumba
here, pamwe chete nekuti ndainwa doro? Madii
matomubvunza mibvunzo yese yamuri
kundibvunza iyi?" Apedza kutaura mashoko aya
akaenderera mberi nekutambisa nharembozha
yake.
VaMakunge vakadzungudza musoro ndokutora
fodya yavo voputa.Monica ainge asanduka
pachokwadi.Tsika dziya dzaigarorumbidzwa
dzainge dzatorwa nemhepo.Hunhu chaihwo
painge pasisina.Ainge angova dindimukwa mbune
mwana asikanzwi.Hapana waainge
achatereerera.Akasimuka paainge akagara
ndokufamba achibuda panze.
"Wave kupenga here mwana iwe? Wapindwa
nei chaizvo Monica?" vakadaro vaMakunge
misodzi ndokutanga kuyerera nematama.
Monica akamira ndokutendeuka zvinyoro
nyoro,akati koso koso ndokuti,"Ambuya
zvamakanzwa ndizvozvo." Akatendeuka
ndokubuda panze.
"Nemiwo amai munazvowo. Dai muchifa neBP

~ 28 ~
Abraham Makamera

nezvinhu zvisina nebasa rose.Hee wakarara


musango,hee wava kunwa doro, heee chino hee
chakadero. Chero akarara musango handiti
adzoka kumba here? Anotyisa ndeuya anobva
aita museve waenda nouma. Anoziva kumba
akanaka," vakadaro mai Mavis vachitaura naamai
vavo avo vainge vakangotsikitsira vachichema.
VaMakunge vakasimudza musoro ndokutarisa
mwana wavo nechiso chizere misodzi. Maziso
ainge atsvuka kuti piriviri semunhu aputa
zumbani.
"Ratidzai...!" Vakambonyarara
ndokuzosimudzira voti, "Unoda mwana aite
mhuka yesango here?"
"Amai kana imi mazvitadza munoti ndini
ndinozozvigonawo here?"
"Unozvitadza nei munhu akasvika kudai?
Chandisina kukuraira ini amai vako chii? Mwana
achiri mudiki uyu,ukamutadza ipapa anochema
mangwana ndiwe."
VaMakunge vakasimuka pavainge vakagara
ndokubuda voenda kumba kwavo vasina
kuoneka.Chembere yainge yarwadziwa nehunhu
hwainge hwava nemuzukuru wavo. Zvotiwo
mwana wavo Ratidzai uyo airatidza kutsigira
zvaiitwa naMonica zvakapa vaMakunge mutoro
mupfungwa dzavo.Vakambozvinyaradza
nemashoko anoti yafamba kamwe haiteyiwi, asi
vakazoona kuti chirungurira chirwere, ukanyarara
unofa nacho.
Vakasvika kumba kwavo ndokusvikonwa mvura
yaiva muchirongo chaiva muberere reimba yavo
yekubikira.Vakapfuurira voenda kugotwe ravo
Baba vaJerry ndokundovapira zvainge

~ 29 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

zvaitika.Baba Jerry kungozvinzwa kwavakaita,


murume akaviruka nehasha.Vakasimuka
ndokunhonga demo ravo raiva padyo nepavainge
vakagara ndokuriti kadzva pafudzi.Vakapinda
muhozi yaiva kumadokero kwemusha wavo
ndokutora uta nemiseve semunhu ari kuenda
kundovhima.Vakamona mudzanga wefodya
ndokuutungidza.Vakamboukweva vakamira
ndokubudisa utsi nemumhino sechitima
chemarasha,hwainge hwasarira
ndokuzohwufuridza nemuromo hwuchienda
mudenga.Vakapinda munzira yaienda kwaaMai
Mavis pasina wavataura naye.
"Musandorovana ikoko," vakashevedzera
vaMakunge, asi hapana akavapindura.
VaMakunge vakasimuka pavainge vakagara
ndokutevera gotwe ravo.
Vachindosvika vakawana ari mabiribobi
kubhiridha kwemadhongi.Pakaudzanwa makobvu
nematete.
"Chamunonetsanirana chii ipapa? Upenyu
ndehwangu uhwu, ini..."Monica haana
kuzopedzisa kutaura,aigadzikwa ino ganyamuto
mbama inodzipura neganda.Dai vasiri vavakidzani
vamai Mavis vakazodzimura dzivo iri,pangadai
pakaita mariro musi uyu.

~ 30 ~
Abraham Makamera

TSAURO 5

P
akapera mazuva matatu mushure
memhirizhonga yainge yaitika pamusha paamai
Mavis.Mai Mavisvakafuma vakarara vachichema
chema nemusoro.Vakamuka ndokubuda panze.
Havana kupedza nguva varipo vachibva vadzokera
muimba yavo yekurara.
"Monica! Monica! Huyai pano mainini,"
vakashevedza muzukuru wavo vachifukidza
makumbo avo negumbeze.
"Tete! Ndiri kuuya." Uyu aiva Monica aipindura
ari muhozi yaiva kumadokero kwemusha umo
maainge achitsvaira.Akakanda mutsvairo pasi
ndokubuda muhozi onanga kwaiva navatete
vake.Akazvikopfugama pamagumbeze akamirira
tete vake kuti vataure.
"Nyatsogara zvako muzukuru.Ndoda
timbokurukura."
Monica akanyasogara akatandavara makumbo
apa musana wainge wakazendama nemadziro
emba.
"Ndini ndakushevedza muzukuru,ndange
ndisati ndambogara newe pasi sezvataita izvi.
Chiripo chaita ndigare newe pasi, ndinofunga
unochiziva?" Vakadaro mai Mavis vakatarisa
Monica uyo ainge akangoyeva vatete vake
akarereka musoro.
Monica akambotora kanguva achifunga kuti
ingava nyaya yechii yaida kutaurwa navatete
vake,mushure ndokuzoti," Kwete tete ndatadza
ini"
~ 31 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Monica nyaya yandakushevedzera


ndeyaPromise.Pane zvandiri kuda kuziva
pamusoro pako naPromise," vakambomira
vachitarisira kuti Monica angataura asi akaramba
akasona muromo.
"Ndingaenderera mberi here?" vakadaro vaona
muzukuru wavo aramba angonyarara.
Monica akangogutsurira musoro achiratidza
kuwirirana nezvainge zvabvunzwa navatete vake.
"Muzukuru zvawadai wakura. Ndinofara chaizvo
ndichiona muzukuru wangu Promise achisvika
pano. Hongu baba nambuya vako vangade kuti
uchiri mwana chimbosiya zvevakomana,asi ini
ndinoti usazodemba mukana uyu.Zvino ini
ungandiudzawo kuti muri kurongei?" Vakadaro
ndokusimudza nharembozha yavo yaiva padivi
pavo ndokutarisa nguva.
"Hapana tete," akapindura Monica akatarisa
pasi.
"Uri kurevei Monica? Vakomana ava
ukasavangwarira unotambiswa wosiyiwa
muzukuru. Ko wadii wa...?"
Vakagumisirwa panzira navaMakunge vainge
vasvika.
"Ndati pane vanhu here pano? Kwamukirwa
ndekupiko mangwanani akadai?" vakadaro
vaMakunge vachitaura voga.Mai Mavis naMonica
vakambotarisana zviya zvekuti todavira here kana
kuti toregedza.
"Usazvipindura zvidzokere kumba kwazvo," Ava
vaiva mai Mavis vaiudza muzukuru wavo.
Mumba makamboita karunyararo kwekanguva
vakamirira kuti vaMakunge vadzokere kumba
kwavo.Mai Mavis vakazosimuka pavainge

~ 32 ~
Abraham Makamera

vakagara ndokubuda panze vachitarisa kuti amai


vavo vainge vaenda here.Vakabuda
ndokutenderera nechivanze. Pavakati
vachidzokera nekuseri kwehozi vakabva
vasangana naVaMakunge avo vaitemha muboora
waiva kuseri kwehozi.
"Munondirega ndichitaura ndega imi murimo
zvenyu? Munoti ndinokupedzerai shuga yakabva
kumuzukuru wenyu here?" vakadaro VaMakunge
vachiisa muboora muhombodo yehapuroni
yavainge vakapfeka.
"Handina kumbozvinzwa ini amai.Shuga
yamunotaura handiti ndiyo yakabva kwaZindoga
uko here? Pane pamunganwa tii yacho imi
muchiramba mwana wavo here?" vakadaro mai
Mavis vachida kunzwa amai vavo.
"Ndisiyei zvangu mwana waDhehwa ini
ndakatogeza maoko nezvazvo. Ane nzeve
dzekunzwa akanzwa," vakakotama ndokunhonga
mudonzvo wavo waiva pasi.
Monicawo akaona tete vanonoka kudzoka
ndokuti regai ndibude
ndivatevere.Achingobuditsa rutsoka mumba
akabva asanganidzana maziso ake
neaVaMakunge avo vaipfura nepamberi peimba
yaainge achibuda vave kundogara paruware.
"Newewo uripo zvako? Inga zvakakuomerai,"
vakadaro VaMakunge ndokundogara pasi.
Monica akaramba akanyara ndokufamba
achienda kunhanga kwake.Akasvikotora
nharembozha yake ndokufonera mudiwa wake
Promise achimubvunza kuti ainge arara sei.
Apedzazvo akabuda ndokutora hata nemakavi
zvaiva pabakwa ave kunanga kugombo kundotora

~ 33 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

huni dzavainge vasiya mazuva maviri ainge


apfura.
"Ndichamboenda kugombo kwaRunesu
kundotora huni uko," akadaro Monica achitaura
navatete vake.Akabva pamba ndokutevedza
gwara remombe.Munzira mwanasikana aifamba
achikanda hata mudenga oigama,oidzorera
makare oigamazve achingodaro. Akabuda
mugwara remombe ndokutora nzira yainanga
kugombo. Zvino ainge ava makata. Aiti akati
fambe fambe ombomira achitura
befu.Paakapedza makata akatsauka ndokugara
padombo raiva padivi penzira.
"Promise wachowo futi,muhu wandaudza kuti
ndave kutobva pamba nanhasi haasati asvika,"
akadaro achibuditsa nharembozha yake kubva
muhombodo yemujivha waainge akapfeka,apa
achitaura ega.
Akabaya baya nharembozha yake ndokuiisa
panzeve.Akachangodaro akanzwa kumashure
kwake kuti chokoto. Mwanasikana akati
kwarakwashu, ndokuringa ringa mativi ose, asi
hapana chaakaona.Akadzokera paainge akagara
ndokuenderera mberi nezvaainge achiita.Hapana
kumbopera chinguva ndokubva anzwazve kuti
chokoto,asi panguva iyi zvainge zvava neruzha
rwakawanda.
Monica akasimuka ndokutarisa kwaibva
neruzha ndokuona chinhu chichiti nzvee,
chichihwanda nezidombo raiva chinhanho kubva
paaiva.Akafamba ndokupinda munzira hana yava
kubika manhanga nekutya.Kufamba ainge oita
semunhu ane nhetemwa mumakumbo.Akakanda
nhanho shanhu achibva anzwa zimutsindo kuti

~ 34 ~
Abraham Makamera

dhii nechekumashure kwake. Mwanasikana


akatendeuka ndokuona dombo rainge rakandwa
paakacheuka, muviri wava kuita serutsanga ruri
mumvura nekudedera.
"Ah!Unondifendesa mhani iwe!" akadaro
Monica achitura befu.
"Uchifenda nei my love?" Uyu aiva Promise
aitaura achifamba kuenda pana Monica.
"Ndange ndave kutya ufunge zvako. Une
hutsinye iwe kudai--?" akadaro Monica achikanda
pasi hata nemakavi zvaainge akabata
ndokumbundirana naPromise.
"Kutya chii nhai Monie?" akabvunza Promise
achibata Monica nemuchiuno.
"Ahh ndingasatya musango makadai...? Uri sei
zvako? Monica akasimudza musoro ndokutarisa
Promise kumeso.
Monica aiva mupfupi zvishoma pana
Promise.Vaviri ava vakananaidzana
ndokundogara padombo.Vakataura zvakasiyana
siyana.
"Ndiri kudzokera kubasa mangwana..." akadaro
Promise.
"Ahh Pro! So ndiri kusara nani? Ndiri kuda
kuendawo ini," akadaro Monica achizembera
pachipfuva chaPromise.
"Ndinodzoka ndokuona pahorodhi muna April"
akadaro achipuruzira Monica
kumusana.Akamubata nechepashaya ndokutanga
kutsvodana.
Kumbawo mai Mavis vakasara vachitaura
naamai vavo.Hapana kupera chinguva vari vose
vaMakunge ndokudzokera kumba kwavo.Mai
Mavis vakatora hata yavo ndokutevera muzukuru

~ 35 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

wavo kugombo.Chavainge vanyanya kufambira


kundopedzisa nyaya yavo nemuzukuru wavo
yavange vagumisirwa panzira navaMakunge.
Vakapinda munzira ndiye rukova yambu
ndokupinda mugwara remombe.Vakabuda
ndokukakata makata vokwira kugombo.
Vachingopedza makata ndiye dhuma dhuma
nevazukuru vavo avo vainge vakazvambarara
padombo raiva pamberi pavo.Mukadzi mukuru
akambomira kwekanguva akayeva vaviri
ava,mushure ndokudududza achidzokera
kumashure ndokuhwanda nemuti wemuuyu waiva
padivi penzira.
Monica naPromise vainge vari murima
zvavo,vakazovhundutswa nedombo rainge rawira
padivi pavo.Vakasimuka ndokugara vachitarisa
kuti angava ani ainge apotsera
dombo.Vakashamisika kuona mai Mavis vachibva
kuseri kwemuuyu.Mai Mavis vakagadaira
vachienda paiva nevazukuru wavo.
"Mamuka sei tete?" akadaro Promise achinyara.
"Achiri mangwanani here muzukuru? Zuva rava
kutodoka iri," vakapindura vachigara pasi.Monica
ainge akangogara parutivi rwaPromise
akangotsikitsira.
"Ndichauya kumba ndooneka tete," akadaro
Promise angoona paita runyararo.
" Zvakanakai muzukuru,regai ndisunge huni
dzangu apo," vakasimuka ndokufamba vachienda
paiva memurwi wehuni.Monica akasimukawo
ndokuvatevera. Akanhonga hata yake pamwe
nemakavi zvaainge adonhedza pasi.
"Ko kuzonyarara asi hamusi kuwirirana here?"
"Kwete tete,kungonyarara zvangu," akadaro

~ 36 ~
Abraham Makamera

achisunga svinga rake rehuni.Vapedza Promise


akauya ndokutakura mutanda wehuni ndokubva
vaenda kumba.

~ 37 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 6

M
azuva akafamba ndokuita vhiki.Mavhiki
akadungamidzana ndokuita mwedzi.Mwedzi
wakamhanya ndiye bhaa wapera.Ndizvo
zvimwe chetezvo naKukadzi.
Monica akamuka mangwanani emusi weChipiri
muviri uchirwadza.Akabuda munhanga make
achimhanya akabata muromo ndokuenda kunze
kwechivanze.Akasvikoti gwadagwa ndokutanga
kurutsa.Tete vake mai Mavis vakabuda muimba
yavo yekurara vachimhanya mushure mekunge
vanzwa muzukuru wavo achigomera.Vakakanda
nhanho vachienda paaiva ndokusvikomira
vakamutarisa.
"Zvaita seiko mainini?" vakadaro vakabata
chiuno.
"Ndangomuka ndichisvotwa,ndipo
pandazongotanga kurutsa," akadaro Monica
mushure mekunge ageza muromo.Mai Mavis
vakambomira semunhu aifunga
zvakadzama.Vakazotanga kufamba vave kuenda
kuimba yekubikira, Monicawo ave kuenda
kunhanga kwake.Haana kupedza nguva ariko
ndokubuda ava kugadzirira kuti aende
kuchikoro.Akatora bhegi rake remabhuku
ndokuonekana navatete vake.Kusina kure
kwaamboenda, mwanasikana akanzwa mudumbu
kumonya. Pasina chinguva chikafu chose chaange
adya chainge chatobuda.Akambogara pachitsiga
chaiva padivi penzira,akatsikitsira.Zvainge
~ 38 ~
Abraham Makamera

zvotiwo nedzungu rainge romuvhiringa,ainge


ongoona rima rega rega.
Akazoti pembenu pave paye,ndokutanga
kufamba achidzokera kumba. Achindosvika
kumba akawana vatete vake mai Mavis vakagara
zvavo muimba yekubikira vachigocha chibage.
"Asi pane chamakanganwa here mainini
zvamadzoka kudai?" vakabvunza mai Mavis
vaona muzukuru wavo adzoka izvo zvavainge
vasina kutarisira.
"Kwete tete. Ndiri kurwadziwa ini.Ndangoti
ndichiyambuka rukova ndokubva ndatanga
kurutsa zvakare apa dzungu rabva randigarawo
zvekuti ndatomboona rima chairo," akadaro
Monica achigara pasi.
"Ko chibvisai hembe dzekuchikorozve nhai."
Monica akasimuka asina chaapindura
ndokundochinja mbatya dzekuchikoro.Akapfeka
dhirezi reruvara rwedenga ndokupfeka juzi
pamusoro.Akadzokera kuimba yekubikira
ndokusvikogara pasi.
"Monica chii chiri kuiitika muzukuru? Ndiudze
usandivanzira," vakadaro mai Mavis
vachishandurudza chibage chaiva
mumoto.Semunhu mukuru vainge vatoona kuti
muzukuru wavo ainge atsika.Monicawo semunhu
ainge asati ambosangana nazvo chizvarirwe
chake aingoti zvimwe urwere hwaida kumubata
nyamba kudya nyemba nevauya dzinowana
muzvimbiri. Hwaiva utsi zvahwo panguva iyi.
"Hapana tete.Ndiri kungosvotwa
nekurutsa.Hapana chiri kumbonyanya kurwadza,"
akapindura Monica achitora chibage murusero
rwaiva padyo naye, ndokubva achikanda

~ 39 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

nemazhizha acho mumoto.


"Chave chiizve mainini? Madii maita
zvekugocha zvakanaka?"
"Ndiri kuda ichi chinenge chichiita
sechakabikwa chagocherwa mumashizha acho,"
akadaro Monica achiseka zvake.
"Ndizvo zvazvinoita mainini.Zvino
zvamakurumidza kudai ndinochiona gore rino."
"Murikurevei nhai ...?" Haana kukwanisa
kupedza kutaura.Akasimuka achimhanya apa
ruoko rwerudyi rwakabata muromo.Akaenda
kunze kwechivanze ndokusvikochonjomara
achirutsa.Mai Mavis vakasimuka pavainge
vakagara ndokumira pamusuwo.Vakaona
muzukuru wavo ari kunze kwemusha ndokubva
vanyemwerera pamwe chete nekugutsurira
musoro.Zvavaigarochemera zvainge zvaita.Ko
pane chainge chichatadzisa Monica kuita muroora
wavaZindoga here ipo painzi pamugodhi wemari?
Vainge vave kutozviona samambokadzi
chaiye.Kana iri mari vainge vave kutoona sevava
nedura rayo chairo.Ko vaizivei zvavo kuti vaifarira
n'anga neinobata amai? Vakadududza
ndokundogara panzvimbo pavo.
Monica akasimuka ndokudzokera muimba
yekubikira mushure mekunge apedza
kugeza.Akawana chibage chake chaainge asiya
chiri mumoto chaburwa navatete vake.
"Chibage chako chiri murusero umo."
"Chaibva here tete?" akabvunza Monica
achitora chibage kubva murusero. Akavhura
mashizha echibage ndokuruma tsanga mbiri
ndokuchidzorera murusero.
"Ko zvaita seizve nhai muzukuru?"

~ 40 ~
Abraham Makamera

"Ndidamburireiwo chamuri kudya icho,"


akadaro Monica achishereketa.Akadamburirwa
chibage ndokubva osimuka kuenda
panze.Akaenda kundogara paruware achidziya
mushana.Kupisa kwese kwaiita zuva musi uyu
haana kana kumbokunzwa.
"Ko nhasi hauna kuenda kuchikoro here
Monica?" Ava vaiva VaMakunge vaitaura
vachiswedera pedyo nepaiva nemuzukuru
wavo.Monica akasimudza musoro ndokutarisa
ambuya vake nemaziso aiti,
“Chimbondisiyai”.VaMakunge vakazviona kuti
muzukuru wavo pane chiri kumunetsa ndokubva
vagara pasi kuti vanyatsokukurukura nemwana
wemwana wavo.Vachangogara, Monica akabva ati
nyadzu, ndokuenda kuimba yekubikira.
"Kwakanaka here?" vakabvunza mai Mavis
vaona muzukuru wavo apinda mumba
achifambisa.
"Ndimbuya avo," akapindura Monica achigara
pasi.Pakarepo vaMakunge vakabva vapinda
mumba ndokukwazisana nemwana
wavo.Vakatora nhekwe yavo yefodya yainge
yakasungirirwa pachichari chavainge vakagarira
ndokutanga kuputa.Vakati kweee kwee ndiye
hotsi hotsi zvimisodzi ndokumboti chururu
zvichiyerera nematama ayo ainge adzokera
mukati nekukura.
"Ko aitwa seiko muzukuru wangu nhai?"
"Angomuka achiti ari kusvotwa achibva
azotanga kurutsa.Atombobuda achiti ari kuenda
kuchikoro ndikazoona adzoka pasina chinguva
achiti abatwa nedzungu munzira," vakapindura
mai Mavis vachibura hari yenyimo kubva

~ 41 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

pachoto.Monica ainge akangotsikitsira pasi


achibaya baya nharembozha yake.
"Saka ndizvo zvawatadza kutaura here
Monica?" Vakapukuta zvimisodzi zvaiva
pamatama ndokudzorera nhekwe pakare.
Monica akangogutsurira musoro ndokuenderera
mberi nezvaainge achiita.
"Zvimwe imarariya iri kuda kumubata,"
VaMakunge vakarova zvavo imbwa vakaviga
mupini.
"Ndatombofunga kudaro. Zvino iye ari kuti
hapana pari kurwadza," vakadaro mai Mavis
vachibvumirana naamai vavo.
"Zvino iriko mazuvano yakasimbaka
muzukuru.Zvinoda kutokurumidza kumhanya
kuchipatara uone vanachiremba zvisati
zvadzimba."
"Zvaamai vasikana.Angaenda kuchipatara
nekanhu kadiki diki ikaka?" vakadaro mai Mavis
vachibata amai vavo muromo.
"Ah, marariya unoita zvekutamba nayo
iwe.Handiti ndiyo yange yaendesa hanzvadzi yako
baba Jerry here? Ukamuka zvisati zvachinja
uende kuchipatara muzukuru."
Monica akagutsurira musoro achibvumira
zvainge zvataurwa naVaMakunge.
"Haiwawo!Kuchipatara kwechii ipapo?
Zvinopera zvoga izvi," vakadaro mai Mavis vaona
amai vavo vongoramba vachitsimbirira nyaya
yekuchipatara.Ko vaikufarira sei ivo vaiziva kuti
nhumbu yemuzukuru wavo yaizokurumidza
kubuda pachena.
"Ini zvepano zvandikona ini.Unoda mwana afre
mumba nezvinhu zvinorapika here?"

~ 42 ~
Abraham Makamera

"Imi amai, tozongoona kuti anenge amuka sei


mangwana acho. Ko kana akamuka apora
muchingoti hee kuchipatara hee kuzofa?"
vakadaro vakwidza inzwi zvino.
VaMakunge vakazviona kuti pavhundukwa chati
kwatara apa, ndokubva vaziva kuti pane aita
katurike.Vakangoti nechemumoyo "Rina
manyanga pane parakamboputirwa here?"
Vakaoneka zvavo ndokuenda kumba kwavo.
Monica akasara ndokupinda munhanga make
ndiye mumagumbezi gude gude. Hope dzakabva
dzamubata.Akazotopeputswa navatete vake zuva
rorova nhongonya.Akazama kudya ndokunzwa
chikafu chichiramba kudzika.
"Idyai mainini munofa nenzara."
"Hazvisi kuita tete," akapindura Monica
achivhara ndiro yaiva nesadza.
"Ndizvo zvazvinoita mainini. Zvamadai
matokura." Monica akamboramba akanyarara
achidzeya mashoko ainge ataurwa navatete
vake.Chainge chava kumunetsa ndechekuti mai
Mavis vainge vari kungotenderera panyaya yavo.
"Nemhaka yei tete?"
"Ah, unoti pane zvichachinja here muzukuru?
Changosara kuti muzukuru wavaZindoga azoona
zuva chete."
Monica akamboramba akavati ndee semunhu
abatwa nebuka.Akamboti zvimwe ainge aita
manzwira ndokuti,"Mataura here tete?"
"Muri kufungeiko mainini? Ndati vaZindoga
vachasvetuka vakatyoka makumbo gore
rino.Usatamba nekuva nemuzukuru.Neniwo
ndichasvuuka muromo nekuridza
mhururu.Mazviita mbereka!Mazvita makwiramiti!"

~ 43 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

vakapedzisira nekubonda maoko.Monica akangoti


kanha nazvo ndokushaya neremuromo.
"Ko matsamweiko nhai vamaNcube? Asi
zvakaitika musingatarisire here?" vakabvunza
muzukuru wavo vangoona chiso chake
chasanduka.
"Chii chakaitika nhai tete?"
"Ko tiri kumbotaura nezvei nhai Monica?
Handiti inyaya yemuzukuru wavaZindoga
wawakatakura uyu?" vakadaro vachinhongedza
padumbu paMonica.
Manzwi aya akaita semunzwa achipinda
munzeve dzaMonica.Mwanasikana akashama kuti
ataure manzwi ndokuramba
kubuda.Akadzungudza musoro, misodzi
ndokutanga kuyerera nematama.Akasimuka
kubva paainge akagara ndokuzvirova rova
pamhanza achifamba famba neimba yose.
"Gara pasi muzukuru."
Monica akatura befu semunhu ange
achidzingirirwa ndokugara pasi achiita
zvekuzvijata.
"Monica dzikamisa hana muzukuru.Ndange
ndakazviona zvangu pave nemazuva asi ndakati
handingakumhanyire.Usamhanyira kuti
zvizivikanwe.Unoiziva chembere iya ikazvinzwa."
"Tete, ndirikutya ini," akadaro achipukuta
misodzi yaiva pamatama.
"Usatya muzukuru. Tichange
tichibatsirana.Zvizhinji siira ini sezvataisingoita."
"Pakanakai tete," akadaro ndokusimuka ave
kuenda kunhanga kwake.Akasvikopinda
mumagumbeze akazendama nemadziro, pfungwa
ndokuenda kubasa.Akazongobatirwa nehope ari

~ 44 ~
Abraham Makamera

mubishi rekuzvibvunza mibvunzo achizvipindura.


Imwewo ndiyo yaishaya mhinduro.

~ 45 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 7

P
akapera masvondo matanhatu mushure
mekunge Monica aziva kuti ainge
azvitakura.Akamuka mangwanani emusi
weChitatu ndokugadzirira kuti aende
kuchikoro.Akabuda munhanga make ndokuenda
kundogeza. Mushure akadzokera munhanga,ndokutora
bande redhirezi ndokusunga dumbu rake.Akapfeka
hembe yekuchikoro pamusoro, ndokubuda oonekana
navatete vake ave kuenda kuchikoro.
Akapinda munzira ndiye mugura
nyengu.Semunhu ainge anonoka aiti
akambonzonza, ombofamba.Akabuda mugura
ndokubatana nevamwe vana vechikoro vainge
vanonokawo.Vakambomira vakaita kachitutu vari
chinhambwe kubva pamutaro apo painge
pakamira vamwe vana vose vechikoro avo vainge
vakateerera mukuru wechikoro, VaManesu
vachitaura.VaManesu vakazoti chikwata chevana
vainge vanonoka vauye kuzomira kumberi.
Monica akambosara akamira akahwanda
nemadziro emudhuri waiva padyo nepamutaro
apa.
"Mauya mose here?" vakadaro vaManesu.
Vana vechikoro vakambotarisana vachida
kuona kuti pane ange asipo here.
"Ndipindurei mhani imi,munoti kunonoka
kunoshamisira here?" vakaenderera mberi vaona
vana vechikoro vangoramba vakanyarara.
"No sir," akapindura mumwe wevana ava.
"Enda unotora vasara," vakadaro vaManesu.
~ 46 ~
Abraham Makamera

Zvaitaurwa zvose izvi Monica ainge


achizvinzwa. Hana yake yainge yava
kurova.Akambotonona achikwenya kwenya
musoro.
"Monica zvanzi huya kuno nemukuru," akadaro
Gladys ndokubva atendeuka ave kudzokera.
Monica akasimuka kubva paainge akatonona
ndokufamba achienda pamutaro.Akasvika
ndokungopinda munevamwe chinyararire.
"Ko amai kuzosara makahwanda hamuchadi
chikoro here?" vakabvunza vaManesu vakatarisa
Monica.
"No sir," akapindura Monica akatsikitsira.
VaManesu vakazoti chimwe chikwata chevana
vainge vanonoka chipinde mune vamwe, Monica
ndokumbosara akamira ega.
"Nhai amai chii chiri kunetsa? Makatanga riini
zvekunonoka chikoro?" VaManesu vainge vari
mwana wehanzvadzi yava Bvudzijena.Monica
akaramba akanyarara achishaya
zvekupindura.Vamwe vana vechikoro vose
vaingoita mahon'era.Vamwe ndivo vaibvumirana
nezvainge zvichitaurwa nemukuru wechikoro,
vamwewo ndivo vaiti anopenga kubvunza
mibvunzo yaaibvunza iyi.Zvechokwadiwo Monica
aizivikanwa nekukurumidza kuchikoro.
"Chipindai mune vamwe amai,asi tichibva pano
moenda kuhofsi kwaSenior Lady. Zvanzikwa
handiti?" vakadaro vaManesu vava kufamba
vachienda kuhofsi yavo.Monica akafambawo
achipinda mune vamwe
chinyararire.Akasvikomira akatsikitsira semunhu
ari kunamata.Pfungwa dzake dzainge dzave
kutenderera achifunga zvakawanda.Iyo mibvunzo

~ 47 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

akazvibvunza inogona kupfuura gumi


chaiyo.Zvakazotaurwa nemudzidzisi aiva nejana
musi uyu hapana kana chimwe
chaakanzwa.Akazongoona vana vechikoro vave
kufamba vamwe nevamwe vakananga
kumakamuri avo avaidzidzira.
Akatakura bhegi rake remabhuku raainge
atsveta pasi ndokuteveravo vamwe.Akapinda
mukamuri yaaidzidzira ndokundogara panzvimbo
yake.Akapeta maoko ari pamusoro petafura
ndokuisa dama rake pamusoro akatarisa mudhuri
wemukamuri umu.
Semunhu ainge ave nemazuva
asinganyatsowana hope dzakanaka, hazvina
kumbomutorera nguva, ainge otorota
zvake.Mwanasikana akafoza zvaasati
amboita,idzo ngonono ungati idatya
chairo.Vamwe vana vechikoro vakamutarisa
ndokungoomawo mate mumukanwa
vakadaro.Vainge vasati vambosangana
nezvakadaro kubva zvavakatanga kuzivana
naMonica.Vamwe vavo vakambofunga
kumumutsa asi vaya veutsinye vakavadzivisa
vachiitira kuti mudzidzisi apinde Monica akarara.
Hapana kumboperawo nguva, VaMukamba,avo
vaiva murairidzi wegwaro iri vachibva
vapinda.Vana vose vakabva vakanda maziso avo
kuna Monica vachida kuona kuti ainge amuka
here,asi Monica semunhu ainge ari kutsi kwehope
akaramba akarara.VaMukamba vakatsveta
mabhuku avainge vakabata patafura ndokutanga
kufamba vachienda paiva
naMonica.Vakasvikomira ndokurova rova patafura
yainge irere Monica.Monica akati vhai

~ 48 ~
Abraham Makamera

achivhunduka.Akasimudza musoro ndokuona


mudzidzisi akamira akamutarisa.Akapuka
mutsetse wembovha waiva kudama rekurudyi
ndokutsikitsira.
"Wazoenda here here kwaSenior Lady
kwawanzi usvike nhai zimhandara?" vakadaro
vaMukamba vaona kuti painge paine zvirikunetsa
Monica.
"No sir,ndazvikanganwa," akapindura
achisimuka kubva paainge akagara.
"Ok, handei tose," vakadaro vaMukamba
vachitungamirira Monica.
Mwanasikana akatevera mumashure achifamba
zvishoma zvishoma.Akabuda mukamuri iyi
ndokutevera mudzidzisi wake. Vakasvika pahofsi
yamai Zirenje vanova ivo aiva mukuru wevakadzi
pachikoro apa.VaMukamba vakagogodza
pamusowo ndokunzi vapinde.Vakapinda
ndokumira kuseri kwegoni.
"Ko pindaka iwe!" vakashevedzera vaMukamba
vachifunga kuti Monica ainge akamira panze.
"Wamuri kuti apinde ndianiko?" vakabvunza
mai Zirenje avo vainge vakagara vakatarisa
nepamusuwo.
"NdiMonica Bvudzijena,uya anzi agosvika kuno
naVaManesu," vakadaro vachibva kuseri kwegoni
kwavainge vakamira.
Vakabuda panze ndokuona pasina
munhu.Vakakanda nhanho vachienda kugwaro
ravaidzidzisa ndokusvikowana Monica
asiko.Vakaenda paaigara ndokuwana bhegi rake
remabhuku risisipo.
"Aenda kupi Monica?" vakabvunza vachiyuwira
nehasha.

~ 49 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Abuda manje manje," akapindura mumwe


musikana aigara padyo naMonica mugwaro iri.
Monica zvaakabuda mukamuri yaaidzidzira
akaona vaMukamba vachibuda muhofsi yavainge
vapinda achibva aziva kuti vainge vave kutsvaga
iye.Akafambisa ndokunzvenga nemudhuri
wegwaro rekutanga pachikoro apa.Akambomira
akahwanda nemadziro achiona mafambiro aiita
vaMukamba.Paakaona vapinda mukamuri
yaaidzira akabva atanga kufambisa achienda
kugedhe.VaMukamba vakabuda ndokuona Monica
ave kutobuda gedhe repachikoro apa.Murume
mukuru akanzonza chinyararire.
"Uri kuenda kupi iwe?" vakadaro vachisvika
paiva naMonica.Mwanasikana akatendeuka
zvekuvhunduka anzwa inzwi remudzidzisi
wake.Akamboramba akanyarara manzwi
achiramba kubuda.
"Ndipindure Monica.Ndati uri kuenda kupi?"
"Kumba Sir. I am not feeling well," akadaro
Monica ava kubvunda nekutya.
"Ok, ngatidzokerei muchikoro tindoona mai
Zirenje wozoenda zvako.Vanogona kutobva
vakupa mumwe munhu anokuperekedza
kuchipatara uchibva pano," vakadaro vaMukamba
ndokumirira Monica kuti atungamire.Munhu wavo
vainyatsomuziva kuti vakamupa mukana
havaizombomubata nekuti zveushamwari
nemhepo aizvinzwisisawo.Vaviri ava
vakadungamidza ndokunanga kuhofsi
yavaZirenje.
Vachindosvika Monica ainge ave kuita semunhu
ange achimhanya.Mwanasikana ainge atotesa
mbatya nekudikitira.Hana yainge isisina

~ 50 ~
Abraham Makamera

kugadzikana.Akatanga kuona sekuti varairidzi


vose vainge vave kuziva kuti ainge
akazvitakura.Akasvika ndokumira kuseri kwegoni
akabata bhegi rake remabhuku.
"Gara pasi mwananangu," vakadaro mai Zirenje
vachitaura naMonica.Vakaenderera mberi voti,
"Thank you Mr Mukamba, ndichakuvigirai mwana
wenyu kana ndapedza naye." Vakakanda
chinyoreso chavainge vakabata patafura
ndokusimuka vachivhara musiwo uyo wainge
wasiwa navaMukamba wakavhurika.Vakadzoka
ndokugara pasi.Monica akange akangotsikitsira
pasi.Mwana akademba kuti dai pasi pangovhurika
zvapo angonyangarika zvake nekutya kwaainge
ave kuita.
"Monica!" vakadaro mai Zirenje neizwi
rakanyorovera.
"Madam."
"Aiwa usatya zvako.Ndinoda utaurire pasi,
madziro anonzwa aya.Tiri kunzwana?" Vakadaro
vaona kuti Monica ainge asina kugadzikana.
Monica akadavira nekugutsurira musoro.
"Zvakanaka. Chii chiri kunetsa?"
"Hapana Madam"
"Unogoti hapana sei iwe wasanduka kudai
Monica? Mukuru wechikoro,varairidzi vose
kusanganisira neni tiri kushungurudzika nezvauri
kuita. Haasiwo mastandards ako ataiziva
isu.Ndirikunyepa here?"
"N-o-o Ma-madam," Monica akapindura
semunhu asina chokwadi nezvaaitaura.
"Saka chii chiri kunetsa?"
Monica akambotora kanguva asati
apindura.Akambofunga kutaura chokwadi asi

~ 51 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

dzimwe pfungwa dzakamuti, "Wave kupisira apa".


"Hazvichaitike zvakare Madam," akadaro
achishereketa.
"Ko zvakamboitikirei? Ndipo pandiri kuda
kungoziva ini," vakadaro mai Zirenje
vachinyemwerera.
Monica akaramba akavati ndee ivo
ndokuramba vachinyemwerera.Mubvunzo
wavainge vabvunza ainge ari makata asina
ukwiriko chaiwo kuna Monica.
"Zvechii Madam?" akabvunza Monica hana
ichiita seichabuda muchipfuva nekurova.
"Kurovha,kunonoka, kurara muclass,
perfomance yako ndicho chinhu chikuru.Yadzikira
zvisingaite Monica."
Monica akatura befu semunhu ange akatsiga
zvairema.Akanyemwerera aona kuti amaiZirenje
vainge vatoriwo murima.
"Inyaya yeschool fees Madam.Ambuya vakati
handichakwanise kubhadhara next term uye mari
yeexam haipo," akadaro achinyepa zvake.
"Ko wakaregerei kuuya kuzotaura neni?"
vakambomira zvishoma ndokuenderera mberi
voti,"Tichaita musangano tokutsvagirai mari
yekuti munyore neye fees,Iwe naBrighton
Nhamo."
Monica akanyemwerera kuratidza kufarira
pfungwa iyi. Mushure ndokuzoti,"Thank you
madam," achiombera maoko."Madam, handisi
kunzwa zvakanaka.Ndiri kukumbira kusvika
kuchipatara," akaenderera mberi achirereka
musoro.
"Chii chiri kurwadzwa?" vakabvunza mai Zirenje
vachishushikana.

~ 52 ~
Abraham Makamera

"Ndiri kutemwa nemusoro zvisingaite."


"Usanyanya kufunga zvakawanda Monica.Zvino
unoenda wega here kana ndokupa
anokuperekedza?"
"Ndinoenda ndega Madam," akadaro achiziva
zvake kuti hakuna kuchipatara kwaaimboenda.
"Mira ndikunyorere tsamba uende.Kana
wapedzerwa woenda kumba toonana mangwana,"
vakadaro ndokunyora tsamba yaizoenda
naMonica kuchipatara.Vakatambidza Monica
tsamba iya achibva asimuka ave kubuda.
"Thank you Madam," akadaro achivhara
musuwo wehofsi iyi.Akaenda kukamuri
yaaidzidzira ndokundoonekana nemudzidzisi
wake pamwe chete nevaaidzidza navo.Musi uyu
ndiwo wakava wekupedzisira kuna Monica kuva
mudzidzi pachikoro apa.

~ 53 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 8

R
inamanyanga hariputirwe mumushunje
chokwadi.Monica kubva zvaasiya
chikoro,upenyu hwake hwainge hwangova
hwekuswera mumba.Aimuka mangwanani ogeza
semunhu aigadzirira kuenda kuchikoro.Aimbombeya
mbeya nechivanze,achimboti akapinda muimba
yekubikira,obudamo opinda muhozi
obudazve.Waizomuona zvino ananga kunhanga kwake
osvikozvivharira.Kudya aitoita zvekuvigirwa navatete
vake,Mai Mavis.
Painge papera masvondo maviri mushure
mekunge Monica apedzisira kutsika chivanze
chepaKudadisa High School. Akamuka
mangwanani emusi weChina zuva
ratokwira.Akabuda munhanga make
ndokundomira akazendama nemadziro ehozi
achidziya mushana.Akambotora chinguva aripo
ndokuzofamba ave kupinda muimba
yekubikira.Akawana vatete vake naambuya vake
vakagara zvavo vachikurukura.Akakwazisana
navo ndokugara pasi.
"Ko hausi kuenda kuchikoro here, zvawanonoka
kumuka kudai?" vakabvunza VaMakunge
vachitwasanura makumbo avo.Chembere
yakamboridza kamhere nekuda kwemakumbo ayo
ainge ava nenguva achivashungurudza.
"Handiti iholiday here ambuya?" akadaro
Monica.
"Ko vamwe varikuenda wani.Ndinongoona vana
vepaMupositori apa vachingoenda zuva nezuva
~ 54 ~
Abraham Makamera

wani?" yakadaro chembere ndokubudisa nhekwe


yayo yefodya.Yakagugudzira fodya muchanza
ndokuona kuti nhekwe yainge yazara mhepo.
"Hanganwa dzakandiwandirawo ini. Ndagadzira
fodya yangu ndikati ndozoisa munekwe ndava
kuuya kuno, zvino ndazozvikanganwa," vakadaro
vachivhara nhekwe yavo.
"Kwava kukura ambuya,munoti madya makore
mashoma here?" akadaro Monica achizama kutiza
nyaya yainge yatangwa naVaMakunge.
"Hongu kukura ndakura muzukuru.Zvino imi
nenharo dzamuinadzo munosvika here patiri
pano?" vakadaro vachiseka zvavo.
"Nharo dzeizve amai, ini ndave kutosvika
wani?" vakadaro mai Mavis vachigamha amai
vavo.
"Hehede seka zvako mwana wemuera
Moyo.Uchisvikepi ipapa? Unoti ini ndinenge
ndakamira here?"
"Handizokubatei zvanguka, asi pamuri apa
ndinosvika," vakadaro mai Mavis,ndokuzochinja
nyaya.Vakambotaura zvakasiyana siyana,
VaMakunge ndokuzosimuka vonanga kumba
kwavo.
"Ndave kuenda kumba kwangu ini,ndinowana
vana vako vafa nenzara kumba uko," vakadaro
VaMakunge vachireva vana veumwe
mwanasikana wavo vavaigara navo.
"Haiwawo,kufa nenzara kuti havagoni kubika
here? Idzo mhandara dziya," vakadaro mai Mavis
vachisimuka kuti vabuditse amai vavo chivanze.
"Aiwa gara zvako mwanangu ubikire varwere
ava," vakadaro VaMakunge vave kubuda mumba
umu.

~ 55 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

Mai Mavis vakatarisana nemuzukuru wavo


ndokuzodzungudza musoro vave kugara pasi.
" Ko iyewo Promise arikuuya riini?Vamwe vose
zvavakauya wani." Ava vaiva mai Mavis
vaibvunza muzukuru wavo.
"Handichatozivawo ini tete,zvimwe haachauye."
"Hauzive ani Monica? Usada kundiitira mashura
pano. Hamusi kutaura mose here?" vakadaro
chiso chasanduka.
"Zvamava kundikwidzira inzwi ndatadzeiko nhai
tete?"
"Ndati uri kumbotaura naye here?Pindura
zvandabvunza," vakadaro ndokugofa gofa moto
neshungu.
"Hongu tete, aiti ari kusvika nhasi,asi
aingochema nekuti mabhazi arikuzara
zvisingaite." Musoro wainge warerekwa zvino.
"Iye anenge akaomerawo murume wako
uyu.Kutadza kana kutenga mota nemari
yavainayo.Tomboti yake haisi kukwana, ko inobva
kuAmerica uko.Mufonere unzwe kuti ari kuuya
here?" Monica akasimuka ndokubuda ave
kunanga kunhanga kwake.Akasvikotora
nharembozha yake ndokudzokera kuimba
yekubikira.Akasvikogara pasi ndokubaya baya
nharembozha yake.
"Handina airtime tete," akadaro Monica
achinoza.
"Unotonoza zvako Monica?Unoita zvekutamba
zvako. Pauchatorerwa murume ndipo
pauchapembenuka zvako.Tora nhare yangu iyo iri
apo umufonere," vakadaro vachitendeka paiva
nenharembozha yavo.Monica akasvasvavira
ndokutora nharembozva yavatete vake.Akaitinya

~ 56 ~
Abraham Makamera

tinya ndokuisa panzeve kwekanguva.Akaibvisa


ndokuti,"Irikuramba phone yake.Zvimwe ari
pasina network."
"Networkyaita seizve?Tsvee kufunga
zvimwe.Wanzwa zvataurwa nechembere yabva
muno here?"
"Hongu tete."
"Zvinorevei zvataurwa naambuya vako?"
vakadaro vachida kunzwa pfungwa dzemuzukuru
wavo.
"Vange vasingareveri kurwara kwandakamboita
here tete?"
"Kurwara kupiko iwe?Handiti ndiyo nhumbu iyi
yaikuitisa zvose zviya.Nyaya iripo apa
ndeiyi;ambuya vako vakazviona kana kuti vave
kuzviziva kuti wakazvitakura.Zvino isu kuti
tibudirire apa panoda kukurumidza kuronga.
Tikanonoka inodzva kwedu.Anosara
achikwangwaya ndiwe nemwana wawakatakura
uyu."
"Ndiri kuzvinzwa tete," akadaro ave kutya.
"Ini ndange ndafunga kuti panongosvikira
Promise iwe wobva waenda. Pakadii?"
Monica akavhunduka zvekuratidza kusafarira
pfungwa yainge yataurwa navatete vake.Mai
Mavis vakazviona kuti muzukuru waivo ainge
asina kufarira zvavainge vataura ndokuti,"Mainini
kana mune dzimwe pfungwa taurai tinzwewo
mafungire enyu"
"Tete, tadii tatanga tanzwa iye kuti anoti chii?
Tinogona kumhanya iye..."
"Iwe! Iwe! Iwe! Haunzwe wakaita sei? Nyaya
yandiri kutaura nezvayo pano hausi kuinzwa
kana? Unofunga kuti Baba vaJerry vakazvinzwa

~ 57 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

panogarika pano.Handiti unotonzi uri pfambi


vaZindoga vowanawo pekunzvenga napo voti
haasi muzukuru wangu? Unozoita sei kana
zvadaro?"
Monica akadzeya mashoko aya ndokuona
hupenyu huchitanga kumuomera.Aiti akafunga
museve waibuda nekuna baba Jerry aibva anzwa
muviri wese kupisa. Mwana akatanga kudikitira.
Muviri wainge wave kuita sewadirwa
mvura.Akasimuka ndokubuda panze ombofurwa
nemhepo.Akatanga kufunga nezvekumisa imba
ndokuona zvichimuremera
kuzvigamuchira.Akamira muberere reimba
misodzi ndokutanga kuchururuka.
"Ko zvavaimboti tinenge tichibatsirana,ndiko
kubatsirana kwacho here uku?" akadaro achitaura
oga.Mubvunzo uyu wakamutemesa
musoro.Akatanga kufunga rairo dzaambuya vake
asi zvange zvisingachabatsire kurutsa muto
wegudo iye ange atozvimbirwa nenyama yacho
kare.
"Ko uri kuchemei muzukuru?" vakadaro mai
Mavis vawana muzukuru wavo ingori misodzi
pamatama.
"Tete zviri nane ndife zvangu ini,ndinoita sei
nenhumbu iyi?" akadaro misodzi ichiwedzera
kuyerera.
"Kufa hakusi kunopedza zvose muzukuru.Huya
mumba titaure," vakafamba vachipinda mumba
muzukuru wavo ari kumashure.

VaMakunge zvavakaenda kumba kwavo havana


kundokwanisa kana kudya chaiko.Chembere
yakabikira vazukuru vayo chekudya ndokubva

~ 58 ~
Abraham Makamera

yapinda munzira yave kudzokera kumba


kwamaMai Mavis.Yakasvikowana mai Mavis
vachangopinda mumba naMonica. Monicawo
misodzi yainge ichakanyorova pamatama zvekuti
VaMakunge vakazviona.
Panguva iyi vainge vauya nenhekwe yavo
yakazara.Vakaivhomhora nokutsokodzera fodya
mumhino.Chembere yakahotsira ndokushereketa
shereketa semunhu ari kunzwa mudumbu.
"Ko kuzenge uri kuchema zvaita seiko Monica?"
vakadaro VaMakunge vakatarisa muzukuru wavo.
"Hapana ambuya," akapindura achipukuta
misodzi pamatama.
“Pane chekuchavanza here ipapa muzukuru?
Ungangochema pasina zvaitika zvinoita here?”
Monica akaramba akanyarara,kwete nekuti
aishaya zvekupindura asi ainge asina kunzwa
zvainge zvabvunzwa naVaMakunge.Ainge ari
mubishi rekufunga zvekuita nenhumbu
yaPromise.
"Monica! Ambuya vari kutaura newe ava,"
vakadaro amai Mavis vachizungunutsa muzukuru
wavo.
Monica akavhunduka ndokukusimuka paainge
akagara.Akafamba kuti abude ndokubva
ashevedzwa naambuya vake.Akadzoka ndokugara
pasi chinyararire.
"Nhai vaNcube ndizvo zvamakazoita izvi?"
vakabvunza VaMakunge.
"Zvechiizve amai?" vakadaira mai Mavis
vasingazivi kuti vainge vazvidenhera mago.
"Ratidzai! Ah...hameno kuti..." Chembere
yakabva yatanga kuchema
yakatsikitsira.Pakamboita kanguva paine

~ 59 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

runyararo.VaMakunge vakapukuta misodzi


ndokuisimudzira yavainge vafambira."Monica
mwana wemwana wangu wandirwadzisa.Ndaiti
zvimwe ndichawanawo mufaro zvino zvaramba
apa.Newewo Ratidzai une moyo wakaoma.Zvino
uchazvifambisa sei zvazvadai.Unotorara hope
dzinobata uchiti mwana ari kumurume here
ipapa?" vakadaro VaMakunge vachiratidza
kushungurudzika.
"Amai hapana zvitsva apa.Ndafara kuti
makazviona kuti muzukuru azvitakura.Ndiyeyu
muzukuru wavaZindoga akatakurwa apa."
"Inga zvakaoma,madarireiko Musikavanhu
kurega mwana achiita zvakadai?" vakadaro
VaMakunge misodzi yajenga mumaziso zvino.
"Munozvinetsereiko amai?Baba vemwana
varipo vanongotorana navadzimai vavo..."
Monica akagurira vatete vake oti,"Ini handide
ini ambuya."
"Kana usingadi bvaa zvakanaka muzukuru.Ini
pano handizvikwanise zvekuchengeta mhuri
yemumwe munhu iye muridzi ari mupenyu.
Ndaramba mwana waBvudzijena," vakadaro Mai
Mavis vachidzungudza musoro.Monica akarohwa
nehana paakanzwa mashoko aya zvekuti
akatombofenda ndokuzoti pembenu pave pave.
"Hazvinzwaro Ratidzai. Ngatigarei pasi tione
kuti tobatsirana sei?Mwana haaudzwe mashoko
awataura akaita zvaakaita izvi."
"Zvakanakai amai," vakadaro mai Mavis
vachinyara nyara.
"Ndakambozvitaura izvi.Maiti zvinosvika kupi?
Handiti maingoti kanopenga kachembere aka,"
vakadaro vachisimuka kubva pavainge vakagara.

~ 60 ~
Abraham Makamera

"Imi amai, pane chakaipa here ipapa?


Tinongovavigira mhuri yavo vaZindoga isu
zvotibva."
"Ho-o-o?Imboitai. Ini ndageza maoko,"
vakadaro vachifamba kuenda kumba kwavo.Mai
Mavis vakasara vachinyararidza muzukuru wavo
uyo ainge ave kuita seachazvimba maziso
nekuchema.

~ 61 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 9

Z
uva rainge rogara makomo,kune kamhepo
kaibva nechekumabvazuva.Monica ainge agere
zvake munhanga make achirongedza mbatya
dzake.Pfungwa dzake dzainge dzisina
kugadzikana.Dzainge dzichingopishana nezvaaiva
akatarisana nazvo.Ko dzaigadzikana sei iko kuvira
kwezuva aizova muenzi pamusha pavaZindoga?
Mwana aiti akafunga nezvazvo ainzwa mudumu kurira
zvichisanganisira nekupindwa nechando.Apedza
kurongedza mbatya dzake akatora nharembozha yake
ndokumbotamba nayo.Akazotovhundutswa navatete
vake avo vainge vapinda.
"Mapedza here mainini?" vakabvunza mai
Mavis vakamira zvavo.
"Ehe Tete. Pane zvamanga muchida kuti ndiite
here?" akabvunza Monica achida kunzwa pfungwa
dzavatete vake.
"Kwete mainini ndangoti mugare makagadzirira
nekuti ndiri kukuperekedzai zuva richangonyura."
Monica akanzwa muviri kupindwa nechando
paakanzwa mashoko aya.Akaramba akanyarara
atoona kuti tete vake vainge vasina kudzokera
kumashure.
"Mazvinzwa here mainini?" vakadaro mai Mavis
vaona muzukuru wavo angoramba akanyarara.
Monica akasimudza musoro wake ndokutarisa
vatete vake mumaziso chaimo.Akambotora
kanguva akadaro ndokuzoti, "Hongu tete."
Akatsikitsira ndokuenderera mberi nezvaainge
achiita.
~ 62 ~
Abraham Makamera

Mai Mavis vakatendeuka ndokubuda vonanga


kuimba yavo yekurara. Monica akasara
ndokukanda nharembozha yake pasi.Akabata
gotsi nemaoko ake ose misodzi ndokubva
yatanga kuyerera.Akatora chinguva
achingochema,akazotonyarara vatete vake
vadzokazve rwepiri.
"Ko kuzenge uri kuchema zvaita sei?"
vakabvunza mai Mavis vawana muzukuru wavo
misodzi ichinge rwizi pamatama.
"Hapana tete," akadavira achipukuta misodzi
pamatama.
"Unogoti hapana sei? Wakamboona munhu
anongochema pasina zvaaitwa here?"
Monica akadzungudza musoro akatarisa vatete
vake.
"Saka uri kuchemei?"
"Tete handisi kuda kuenda kwana Promise ini,"
akadaro misodzi ndokutanga kuyerera
nematama.
"Ahh unondishurira manenji here mwana
waTichaona iwe? Pamaipiwa pamuviri ndange
ndiripo here ini?Ndezvekutonyarara mainini
moenda kumurume.Moda kuita mbiri yekunzi
muri pfambi munharaunda muno here? Iyo
mudzimu yedu zvaine nharo inoda kuramba
upfumi nekuda kusekwa nenyika yese.Haa
zvakatiomera!" vakadaro vachiombera maoko.
Monica ainge akangotarisa vatete vake misodzi
ichingochururuka.
"Chigadzirai tiende mainini," vakadaro
ndokubuda vachisiya muzukuru wavo akangogara
chiso chichiita semunhu adirwa mvura.Monica
akapukuta misodzi ndokusimuka kubva paainge

~ 63 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

akagara.Akambofamba famba neimba yose


sepane chaaitsvaga.Akazomira akazembera
mudhuri ndokutarisa mudenga.Akarova rova
mudhuri nechitsitsinho katatu kanenge kana.
"Haa, tongoona," akadaro ave kufamba
achibuda panze.Akawana tete vake vachibuda
muimba yavo yekurara vachinja mbatya.
"Ko murikuenda makadaro here nhai mainini?"
vakadaro vaona Monica asati achinja mbatya
dzaainge akapfeka.
"Tete kutaura chokwadi ini ndiri kutya ini,"
akadaro Monica achibata muchiuno.
"Unogotya chii iwe wakatakura mwana
waPromise. Asi haasi wake kani?"
"Akasava waPromise anozoita waanizve nhai
tete?"
"Zvino kana ari muzukuru wavaZindoga
chamuri kutya chii nhai mainini? Ndange
ndofunga kuti zvimwe tinogona kuvavigira
muzukuru asiri wavo zvikazonetsa mangwana,"
vakadaro mai Mavis vachitarisa muzukuru wavo
nechiso chizere kunyemwerera.
"Haa ndewavo tete," akadaro Monica achinyara
nyara.
"Chinjai mbatya tiende mainini.Kwatosviba
uku," vakadaro mai Mavis vachifamba kupinda
muimba yekubikira.Monicawo akafamba
achipinda munhanga make.Haana kupedza nguva
arimo ndokubuda akatakura bhegi dema raiva
nembatya dzake.Akaritsveta pakati pechivanze
ndokumbomira akabata muchiuno.
Mai Mavis vakabuda muimba yekubikira
ndokuvhara musiwo.
"Musakiya tete ndoda kumbonwa mvura,"

~ 64 ~
Abraham Makamera

akadaro Monica achifamba kuenda kuimba


yekubikira.Akapinda muimba yekubikira
ndokunwa mvura.Akabuda ndokuenda paiva
navatete vake.
"Ko Tapiwa aenda kupi nhai tete?" akadaro
Monica achigara pamusoro pebhegi raainge asiya
pasi.
"Ko wogarirei zvekare? Simuka tiende."
"Musana wava kurwadza tete," akadaro
achibata muchiuno neruoko
rwerudyi.Akaenderera mberi oti, "Hamuna
kundipindura tete.Tapiwa aenda kupi?"
"Aenda kwaambuya vako uko. Zvanzi ndiri
kuda kundorara ikoko.Chisimukai tiende mainini
tofamba tichiita zvishoma zvishoma," vakadaro
vachimonera chichari chavainge vakabata.
Monica akasimuka ndokupfeka juzi rake.Mai
mavis vakasimudza bhegi raiva rakagarirwa
naMonica ndokupinda munzira.Monica
akambosara akamira akayeva vatete vake.
"Handeizve mainini.Mukaita zvekutamba
ndinondovasiira mbatya dzenyu idzi,ndovaudza
kuti muri kutevera," vakadaro mai Mavis mushure
mekunge vacheuka ndokuona muzukuru wavo
achinge chigutsa.Pavainge vamusiya ndipo
paainge achingori.Vakatendeuka ndokutanga
kufambisa.Bhegi rainge raita kudengezerwa
mumusoro zvino.Monica akazviona kuti vatete
vake vainge vagumbuka.Akapinda munzira
ndokumbonzonza achitevera.Kusina kure
kwaamboenda akabva abaiyiwa nemabayo
ndokukotama achiridza mhere.
"Tete ndakuvara!" akadaro achishevedzera
akabata mudumbu.Vatete vake vakacheuka

~ 65 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

ndokuona muzukuru akakotama apa ruoko


rwerudyi rwakabata mudumbu.
"Anoda kutoonererwa mwana waTichaona
uyu.Anoti tirikuita zvekutamba here pano?"
Vakadaro vachitaura voga.Vakaenderera mberi
nerwendo ndokusiya muzukuru akangokotama.
Monica zvaakasara,akambopedza chinguva
akakotama.Akazosimudza musoro ndokungoona
nzira yose yava mhepo.Akatanga kunanaira
achitevera tete vake,ndiye uyu rukova
Nyamapere yambu.Marwadzo ainge aderera
zvino.Akakanda nhanho achiitira kubata vatete
vake vasati vasvika pamusha waVaZindonga.
"Ndange ndave kutya kuti hamheno chii chakati
zvii pano?" akadaro Monica achifemereka.
"Ko wange uchimbosarirei?Unoti tiri kutamba
here Monica?" vakadaro mai Mavis vakagara
pamusoro pedanda remuhacha rainge
rakazvambarara padivi penzira.
"Kwete tete," akapindura achigara
pasi."Ndange ndabaiwa nemabayo," akaenderera
achipuruzira dumbu rake.
"Zvino apera here?"
"Zvava nane. Zvimwe kumhanya
kwandamboita."
"Zvaamai ava vasikana.Munomhanya chii
chamuchagona ipapa naiko kadumbu kenyu
ikaka," vakadaro vachiseka.
"Murikutondiseka tete..."
"Haiwawo,muchazvigona here zvekumhanya
izvi tiite mujahwo ipo pano?"
"Ndichizvirwadzisirei zvangu.Regai ndizorore
ini," akapukuta dikita rainge royerera richibva
nemumusoro.

~ 66 ~
Abraham Makamera

"Zvakanakai mainini.Chinzwai nyaya iri


pano.Pamusha paZindoga ndipo patatarisana
napo apo," vakadaro vachitendeka pamusha
pavaZindoga apo paingooneka moto kupfuta.
"Ehe tete," akadavirira Monica ndokumirira tete
vake kuti vaenderere mberi nenyaya yavo.
"Zvatiri kufambira hazvisi nyore mainini asi
zvinoda ushingi..."
"Murikureveizve tete?" akadimburira vatete
vake panzira.
"Teerera unzwe chete iwewe.Tichasvika togara
kumucheto kwechivanze, tomirira achauya
kwatinenge tiri totangira ipapo.Kana pakabuda
mboma iwe usambosimuka kutiza, garira murume
wako chete.Chero zvikanzi haapo iwe unongoti
ndomumirira ndiripano. Tiri kunzwanana here
mainini?"
Monica akambotora kanguva asati
apindura.Mashoko aya ainge amuvhundutsa.
"Simukai tichienda," vakadaro mai Mavis
vangoona muzukuru wavo angoramba ari
chimumu.Monica akasimuka chinyararire
ndokutevera mumashure mavatete
vake.Vakasvika pamusha wavaZindoga pasina
ambotaura nemumwe.
"Ngatigare pano pavanotiona," vakadaro mai
Mavis vachitaura nekazevezeve.
Monica akangogara pasi chinyararire.Pfungwa
dzainge dzave kure.Iyo hana yainge yave kuita
sengoma yembakumba.Musoro wainge
wakangotarisa pasi akangomirira zvinotevera.
"Asi vanhu vacho havaonewo here? Ipo
parikutoita sepane vana voga apa," vakadaro mai
Mavis vachitaura neizwi rakaderera.

~ 67 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

Zvechokwadiwo vaZindoga nemudzimai wavo


vainge vasipo musi uyu.Vainge vaenda kundobata
maoko asahwira wavo ainge ashaika zvisina
tsarukano. Mai Mavis nemuzukuru wavo
vakambogara kwenguva yakati kuti pasina
avaona.Mushure mekanguva vakazoona kuti
vaigona kuzorara panze musi uyu,mai Mavis
vakakosora semunhu akachidzwa.
"Tete kani," akadaro Monica achizama
kudzikamisa vatete vake.
"Iwe tinorara panze tikaita zvekutamba pano.Ini
ndinodzokera kumba ukasara wega pano,"
vakadaro vakwidza inzwi.
Vana vaVaZindonga pavanzwa vanhu kutaura
vose vakakanda maziso kwaibva nemanzwi
aya.Vakaona vanhu vaviri vainge vakagara kunze
kwemusha ndokumbopererwa nemate
mumukanwa vashaya kuti zvairevei.
Rose akazosimuka paaiva ndokutora huni yaiva
muchoto ndokufamba akananga kwaiva namai
Mavis nemuzukuru wavo.Aifamba achiita seari
kunyangira mhuka apa hana yainge ichitamba
mbakumba muchipfuva nekutya.
Akambomira ari chinhanho achida kunyatsoona
kuti vaiva vanaani,asi nekuda kwerima hapana
waakaziva.
"Ndivanaaniko?" akabvunza akatendeka huni
iya kwaiva namai Mavis naMonica.
"Ndi..." Uyu aiva Monica aida kupindura
ndokubva atswinywa nzeve navatete vake.
"Chauri kuda kupindura ipapo chii? Handiti
ndiko kushaya tsika ikoko?Iwe zvako zvaunofanira
kuita ndakuudza kwete zvawava kuda kuita izvi,"
vakadaro vachitaurira pasi.

~ 68 ~
Abraham Makamera

"Saka munoda kuti nditange ndarohwa here


nhai Tete?"
Mai Mavis havana kukwanisa kupindura
mubvunzo uyu.Chavakangoita kutswinya
muzukuru wavo nzeve rwepiri chinyararire.
Rose akaona kuti zvaigona kuzomuomera
ndokudududza achidzokera
kumashure.Mwanasikana ainge ave kurohwa
nehana zvaasati amboita.Akatorana nemunin'ina
wake uyo aiva nemakore gumi nematatu
ekuberekwa,pamwechete nehanzvadzi yake iyo
yaivawo nemakore matanhatu ekuberekwa
ndokupinda muimba yavo yekurara.Vakaisa
chihuri nemukati ndokutora guyo raiva seri
kwegoni ndokurizendamisa pagoni.
Rose aiva mwasikana wavaZindoga uyezve aiva
shamwari yaMonica.Musikana uyu aiva
murugwaro rumwe chete naMonica asati asiya
zvechikoro.
Mai Mavis naMonica vakasara vari panze
vachikakaritsana nemashoko.Monica achiti, "Dai
tataura kuti tisu vanaani tapiwa pekurara."
Tete vachitiwo," Hatina kuuya kuzorara pano
muzukuru,toda pekugara."
Vakambotora nguva varikumucheto
kwechivanze.Chando chakazoti chosimuka vaviri
ava vakasimuka ndokundogara pachoto
vachikuchidzira moto kuti vadziirwe.Monica
semunhu aiva akaremerwa, kungodziirwa
kwaakaita dzakabva dzabata akatsamhira
pabhegi raiva nembatya dzake.
Mai Mavis vakaona muzukuru wavo arara
ndokusimuka vave kudzokera kumba kwavo
ndokumusiya akarara.

~ 69 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

~ 70 ~
Abraham Makamera

TSAURO 10

S
ango kuipa kuipa zvaro asi haridyi munhu.Monica
akamuka chando chamurova.Mazino ainge
achiita kurovana nekudedera.Akagofa gofa
pachoto ndokuona angova madota chete.Akatarisa
mudenga ndokuona nyeredzi dzava
shoma.Machongwe ainge atoneta nekukukuridza.
"Ko dzatopera here hope?" Vakadaro mai Mavis
vachipinda muchivanze chemusha.
"Ehe ndange ndava kutotya kuti manditiza
tete," akadaro Monica achishama n'ai.
"Ko munhu anotizwa here nhai muzukuru?
Handiti anonyatsoenekwa zvakanaka kuitira
patinozoshanya mangwana," vakapindura
muzukuru wavo vachiseka zvavo.
"Ko wava kuiteizve zvawava kupfumbura dota
kudaro?" vakabvunza mai Mavis vaona muzukuru
wavo achikwarakwara muchoto nehuni.
"Ndatonhorwa tete ndiri kutsvaga marasha
tibatidze moto."
"Unoti huchiri usiku here? Hande tindogara
pataiva apo," vakadaro mai Mavis ndokusimudza
bhegi raiva nembatya dzemuzukuru
wavo.Vakatungamira muzukuru wavo ari
mumashure.Vakagara pasi ndokumboraira
muzukuru wavo.Vakazodimudzirwa naRose uyo
ainge avhura musiwo ndokumira achishamisika
nezvaainge aona.
"Mamukasei amai? Zvaita sei mabva magara
kunze kwechivanze kudaro?" akadabvunza Rose
akabata pachipfuva.
~ 71 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Zvakaoma mwanangu. Swedera padyo,"


vakapindura mai Mavis vachirereka musoro.
"Monica!? Ko zvaita sei?" akadaro Rose
achikatyamara aona Monica uyo ainge
akangotsikitsira nenyadzi.
"Ko baba naamai varipo here?"
"Kwete amai vakaenda kunhamo nezuro. Ko
zvaita sei amai? Nhai Monica, chii kuzenge uri...?"
"Rose mwanangu chimbomira zvekubvunza
zvakawanda wanda.Nyaya iri pano ihombe.Tiri
kuda kuonawo vaZindoga ndivo
vangatozvikwanisa," vakadaro mai Mavis
vachidimudzira Rose uyo ainge ave kuita
semuchuchisi ari kubvunza musungwa mudare
redzimhosva.
Rose akambotora kanguva achidzeya mashoko
ainge ataurwa namai Mavis.
"Ndimi vatakaona mauro here?"
"Hongu mwanangu."
"Ko makaregerei kutaura nhai amai? Saka
marara ipo pano here?" akadaro Rose pfungwa
dzisati dzanyatsogadzikana.
"Rose mwanangu chimbondibatsirawo ndapota.
Wombosiya zvehutikitivha kana upurisa
mbichana. Nguva ichasvika munovhunzana
zvenyu," vakadaro mai Mavis.
"Mirai nditume Charity amhanye kwaMuchetura
uko andovashevedza," akadaro Rose,ndokuenda
kuimba yavo yekurara.Akasvikomutsa munin'ina
wake ndokumuraira kuti andoshevedza baba
vavo.
Akabuda ndokudzokera paiva namai Mavis
naMonica.Akasvika ndokusimudzira nayo
mibvunzo yake. "Ko Monica kutii zii kudaro chii

~ 72 ~
Abraham Makamera

chiri kunetsa?"
"Hapana," akapindura Monica chiso chakatarisa
pasi.Idzo nyadzi aiita seachanyungudika nadzo.
Zvainge zvosanganisira nekutya.
"Aitwa seiko Monica nhai amai?" akadaro Rose
pfungwa dzichiyuwira nekuda kuziva chainge
chasvitsva mai Mavis nemuzukuru wavo pamusha
pavo.
"Mira baba vako vauye mwanangu tozotaura.Ko
ndiani akashaika kwaMuchetura?"
"Ivo vaMuchetura vacho," akadaro achifamba
kupinda muhozi yaiva nechekumadokero
kwemusha.Haana kutora nguva arimo ndokubuda
akabata rupasa.
"Huyai mugare pakanaka amai makamirira
baba," akadaro Rose achiwaridza rupasa padyo
nepachoto.
"Usazvinetsa zvako mwanangu,regedza tigare
ipo pano."
"Kumucheto kwechivanze here nhai amai? Imo
muguruva imomo?"
"Ko pane zvazvichanjinja here? Handiti
dzatosviba kare mbatya dzacho? Ko vakaoneiko
munhu andakaona svondo rapera kumusangano
uko?" vakadaro vachipfunya chisero.
"Ahh zvanzi vakangodonha vachibva kudanga,"
akadaro Rose.
"Inga zvakaoma," ava vaiva mai Mavis
vaingonotaura vachidzungudza musoro.
Paitaurwa zvese izvi, Monica ainge
akangonyarara seakasonwa muromo.Musoro
wake wainge wave kubanda
nekufunga.Chainyanya kumushungurudza
ndechekuti muridzi wenhumbu ainge asipo. Aiti

~ 73 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

akafunga nezvokuti kana vaZindoga vakamuti


amirire kuuya kwaPromise ainzwa muviri wose
kubaya baya.Chokwadi hupenyu hwainge
hwamusandukira zvaainge
asingafungire.Mwanasikana akasimudza musoro
ndokutarisa vatete vake avo vainge vari mubishi
nezvirukwa zvavo.Akadzungudza musoro misodzi
ndokutanga kuyerera.
"Monica!" vakadaro mai Mavis neizwi
rakaderera,asi Monica akaramba akanyarara
sepasina chaanzwa."Asi watorara ipapa? Muka
vaZindoga vauya," vakadaro vachibata muzukuru
wavo pamafudzi.
Monica akapukuta misodzi nechichari chaange
akamonera ndokusimudza musoro.Akaona
vaZindoga vave kutopinda
muchivanze.Mwanasikana akarohwa nehana
zvekuti akatombofunga kutiza.Akazunza zunza
ruoko rwerudyi rwainge rwabatwa nechiveve
ndokuzobata pamuromo.
"Dzikama iwe! Chauri kuvhunduka ipapa chii?"
vakadaro mai Mavis vakatarisa muzukuru wavo
nemaziso aiti zvauriwe uite chinyadziso chinenge
cheimbwa inoregera mhembwe ichipoya mubako
iyo ina vatenzi.Monica haana
kupindura.Chaakangoita kugutsurira musoro.
"Kwakanaka here kwamamukira kuno kudai?"
vakadaro VaZindoga vachitambanudza ruoko
rwavo kuna mai Mavis.
"Hongu kwakanaka baba vemwana. Nenhamo
dzaVaMuchetura dzandiri kutonzwa pano
naRose," vakadaro mai Mavis vachikwazisana
naVaZindoga.
"Akaonekwa. Zvakaoma mainini."

~ 74 ~
Abraham Makamera

Vakambotaura nezverufu
rwavaMuchetura,mushure ndokuzobvunzana
mufaro sevanhu vange vave nezvimazuva vasina
kuonana.
"Ko kuzogara kunze kwemusha manyimwa
pekugara here? Huyai mugare parupasa apa,"
vakadaro VaZindoga vachitora chigaro chaiva
muberere reimba yekubikira ndokugarira.
"Aiwa ipo pano pakanaka babamukuru. Dai imi
matoswedera nechekuno," vakadaro mai Mavis
vachikanda zvirukwa zvavo pamusoro pebhegi
raiva padivi pavo.
VaZindoga vakasimuka ndokutora chigaro
chavo vofamba vachienda kwaiva namai Mavis
nomuzukuru wavo.Vakasvika ndokutsveta chigaro
pasi ndokugara.
"Kwakanaka here kwamabva mafamba
nemutundu kudai?"
"Hongu kwakanaka," vakapidura mai Mavis
vachirereka musoro.
"Uyu ndiMonica here uyu?" vakabvunza
VaZindoga vachinongedzera Monica.
"Hongu. Ndiye adai kutisvitsa pano"
"Zvanziizve?" vakadaro VaZindoga
vachikatyamara.
"Ah zvikukutu, imbwa ina VaZimunya."
vakambomira zvishoma vakatarisa vaZindoga avo
vainge vakanyatsoteera zvavaitaura. "Ndauyawo
naye, muenzi wenyu paari ipapa," vakaenderera
mberi vachinongedza Monica.
"Muenzi waMonica here nhai mai Mavis?"
vakadaro vaZindoga vazvishairwa pazvo.
"Hongu baba vemwana.Ati ane muzukuru
wepano waakatakura."

~ 75 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Wati chii mukadzi iwe?" vakadaro vaZindoga


vachisimuka kubva pavainge
vakagara.Vakakwenya mhanza yavo iyo yaiita
seyazorwa mafuta nekupenya.
"Mai Mavis taura nyaya yako mhani. Uri kuti
chiiko iwe?" vakadaro,ruoko rwekuroboshwe
rwapinzwa muhombodo yemudhebhe wavainge
vakapfeka.
"Chero mukaita hasha pane chichachinja here
nhai Nyamuzihwa? Mwana ati muzukuru
ndewepano uyu," vakadaro mai Mavis
vachishereketa.
"Baba vake vari ani? Handina mwanakomana
ari pano ini.Norest,Aaron naTavonga vave
Australia. Uyuwo teacher ndiye ari
kuHarare.Zvino imi munoreveiko?" vakadaro
vachitsika pachigaro chavainge vakagarira
negumbo rerudyi.
"Mwana ndewa teacher baba vabhoyi"
"Iwe ndikwanire mukadzi iwe! Unondiudza kuti
Promise akamitisa muzukuru wako iye ari
kuHarare uko. Zvenyu zvekuda kuroodza pfambi
dzenyu pano nekukara kwenyu ndoda kuzvipedza
nhasi.Kamwe kakauya pano svondo rapfuura
kaina vatete vacho zvanzi ndine nhumbu
yaPromise... Haa makajaidzwa mhani!"
vakapaumba VaZindoga vachisundudzira chigaro
kwakadaro negumbo ravo.
Paiitika izvi Monica ainge akangotsikitsira,apa
hana ichiita kukwata semanhanga ari
pachoto.Aipota achisimudza musoro achitarisa
mafambiro aVaZindoga.Akaona vakagara kana
kumira aidzorera musoro pakare. Akausimudza
rwetatu ndokuona VaZindoga vachibuda muimba

~ 76 ~
Abraham Makamera

yavo yekurara vakabata mboma yainge


yakagadzirwa neganda remvuu.Mwanasikana
akasimuka achiita zvekusvetuka ndokutanga
kudududza achibuda muchivanze.
"Dzoka ugare pasi! Uri kuenda kupi?" vakadaro
mai Mavis vachiratidza kusafarira zvainge zvaitwa
nemuzukuru wavo.
"Achidzoka kupi? Muregere aende kumuridzi
wedumbu.Ndiye andinoda kunyatsozvambaradza
iyeyu," vakadaro vaZindoga vachikanda nhanho
vakananga kwaiva naMonica.Monica paakaona
vaZindoga vave kusvika paava akabva ati
gwadagwa nekutya.Paiitika izvi Rose nemunin'ina
wake vainge vakangomira muberere reimba yavo
yekurara vachingookera sevanhu vari kuona
bhaisikopo.
"Baba! Musamurova!" akadaro Rose
achishevedzera.Akabva muberera achimhanya
ndokuenda paiva nababa vake akasvikovabvutira
mboma yavainge vakabata ndokuenda nayo
munhanga mavo.VaZindoga vakatendeuka
ndokundogara pasi, apa chiso chizere nyadzi.
"Huya ugare apa," vakadaro mai Mavis
vachishevedza muzukuru wavo.
Monica akasimuka ndokufamba achienda paiva
navatete vake.Makumbo ainge achiita semunhu
ane nhetemwa kuri kudedera.
"Saka imi murikuti nhumbu iyi ndeyaPromise
here?" vakadaro VaZindoga vachisimuka
ndokundobatidza mudzanga wechimonera
wavainge vakabata.
"Hongu baba vemwana."
"Rose enda undoshevedza vana baba
vako,pamwe chete namai vandasiya kunhamo

~ 77 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

uko.Ugodzoka nekwemwana wako uko kwababa


Farai uti zvanzi nababa svikai kuno kune nyaya
iriko." Vakadaro VaZindoga ndokubairira
chimonera pamuromo.Vaiti vakachikweva
waizongoona utsi huchibuda nemumhino.
Rose akapinda munzira achimhanya
ndokundosiya shoko kwese kwainge atumwa.
Hazvina kumbotora nguva mukoma,
waVaZindoga, VaChigubhu pamwe chete
nevanin'na vavo vachibva vasvika.Mai Norest,
vanova mudzimai waVaZindoga vakazosvikawo
vakadungamidzana nababa vaFarai avo vaiva
muzukuru waVaZindoga pamwe chete
nehanzvadzi yaVaZindoga.Vaviri ava vakatosvika
nyaya yatokandwa mudariro.
VaZindoga vainge vari kuidhonza vakanangawo
nekudivi rekuda kunzvenga kugamuchira Monica
mumusha mavo, mukoma wavo achizamawo
kuvadzikamisa.
"Ini ndiri kuwirirana nemi sekuru pakuti
ngatimirirei kuuya kwasekuru Promise,asi izvi
zvinofanira kuitwa mwana uyu ari pano?"
vakadaro baba vaFarai.
"Hauchionazve muzukuru.Idzi ipfungwa
dzakanana," vakadaro vaChigubhu
vachibvumirana nemuzukuru wavo.Vanin'ina vavo
vaingogutsurira musoro semadhambakuro.
"Pahuna hwenyu sarudzanai kuti anoenda
nemwana uyu ndiani nekuti ndaona sekuti mose
murikumuda mumusha muno," vakadaro
VaZindoga ndokukweva chigusvani chefodya
chainge chave kutopera nemhepo.
"Hazvinzwaro Shumba.Vana ndevedu tose
ava.Zvataurwa nemuzukuru ndizvo chaizvo,"

~ 78 ~
Abraham Makamera

vakadaro mai Norest vachidzikamisa murume


wavo.
VaZindoga vakatarisa hanzvadzi yavo mai
Muchaneta,ndokuona vachidzungudza musoro
vachiratidza kusawirirana nezvainge zvataurwa
nababa vaFarai.
"Ngaasare zvake," Vakadaro VaZindoga
vakatarisa pasi.
Pavakangotaura mashoko aya,Monica akabva
atanga kuchema.Munamato wake wange uri
wekuti, "Dai varamba kundigamuchira pamusha
pano." Zvino zvainge zvaenda nepamwe.
Mwana akaonekana navatete vake ingori
misodzi pamatama.Ndiko kwakava kutanga
kwechimwe chikamu muupenyu hwake.

~ 79 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 11

P
akapera mazuva matatu kubva musi wasiiwa
Monica pamusha paVaZindoga navatete vake
mai Mavis.Monica akamuka mangwanani emusi
weMuvhuro ndokutsvaira chivanze. Apedzazvo akatora
mugomo ndokupinda munzira ave kunanga
kutsime.Akawana kutsime kuna mai
Muchaneta.Vakakwazisana nekubvunzana
mufaro,Monica ndokuzochera mvura.Akatakura
mugoro wemvura ndokufamba achikwidza makata
aivapo kubva murwizi.Paakati achindopedza makata
akanzwa mugomo kusundidzirwa zvine
chisimba.Akatendeuka ndokuona vari mai Muchaneta.
"Zvaita seiko nhai tete?" akabvunza Monica
achishamisika kwazvo.
"Mubvunzo wekundibvunza here uyu? Kana
watsamwa tura mugomo tirwe," vakadaro mai
Muchateta vachizunza zunza maoko semutambi
wetsiva.
"Ko zvamboita sei tete?" akadaro Monica
ashaya neshumo yazvo.
Mai Muchaneta havana kukwanisa kupindura
mubvunzo uyu,chavakangoita kusundudzira
mugomo waiva wakatakurwa naMonica
uchindowira kwakadaro uko.
Monica akabata muromo akatarisa mvura
yainge yadeuka ichiyerera ichipinda
murwizi.Akakanda nhanho imwe achida kundotora
mugoro uyo wainge waita semukoko usina hata
mativi ose.Paakada kukanda yepiri akanzwa dzvii
nemuhuro.
~ 80 ~
Abraham Makamera

Mwanasikana akavhinzuka zvehasha ndokurova


mai Muchaneta pamuromo negokora rake.Mai
Muchaneta vakati vaipangura mhere. "Maiwe-e-e
ndofawo!.Maiwe-e- kani!!! Huyai mundibatsirewo
vanhuwe-e!" vakazhambatata vakabata muromo
apa ropa richiita kuchururuka."Ungandirovera kuti
ndakuwanikidza une chikomba?... Haunyari
wakaita sei? Nhasi tinopedzerana," vakadaro mai
Muchaneta vaona muvakidzani wavo ave kusvika
pavainge vari.
"Munondishurira here nhai tete?" akadaro
Monica misodzi ichiyerera.
"Zvamboita seiko?" uyu aiva muvakidzani
wamai Muchaneta aibvunza.
"Ndakavaudza mhani kuti munhu uyu
haaite,ivo kwava kuomesa makotsi.Hezvo
ndamuwanikidza akambundirana nekamwe
kakomana kazotiza kachikwidza nerwizi uko."
Vakadaro mai Muchaneta vachigeza muromo uyo
wainge wave kuita semunhu arumwa nenyuchi.
"Tete munondivengerei mukadaro?" aitaura
mazwi aya misodzi ichiita kuchururuka.
Akanhonga mugomo ndokufamba ave kuenda
kumba.
"Hakuna kwaunomhanyira.Tiri kutoenda tose,"
vakadaro vachitevera mumashure ndokusiya
muvakidzani wavo asina kana neremuromo.
Vachingosvika pamba vakawana mai Norest
vachigudubudza ndiro muimba
yekubikira.VaZindoga vainge vaenda mugomo
kundotarisa misungo yavo.
"Ko zvamadzoka musina mvura nhai
VamaNcube?" vakabvunza mai Norest vaona
muroora wavo achipinda mumba akabata

~ 81 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

mugomo usina chinhu.


"Mugomo watsemuka," akadaro Monica
achitsveta mugomo pasi.
"Watsemuka seizve nhai mwanangu?"
Monica akashama kuti ataure ndokutadziswa
namai Muchaneta vainge vapinda vachiita
semunhu ari kudzingirirwa.
"Usatombonyepa zvako.Taura zvose zvaitika,"
vakadaro mai Muchaneta vachitambisa tsoka
yavo yekurudyi apa maoko akati dzvii muchiuno.
"Ngatigarei pasi," vakadaro mai Norest vaona
kuti paiva nenyaya hombe.
Monica akagara pasi ndokupfunya chisero.Mai
Muchaneta vakambosara vakamira vachiti
vakambozunza zunza maoko vobata
muchiuno,voabvisa, vobata musoro,vachingodaro.
"Chigarai pasi tete titaure. Zvambonyanyoita
seiko nhai."
"Mai Norest muroora, ndiri kurwadziwa.Dai
uriwe zvaive nane, kwete mwana
uyu.Haangandirove kuita sendichabva mazino
mhani," vakadaro mai Muchaneta vave kupupira
nehasha.
"Chigarai pasi vatete,hongu mwana
akanganisa."
Mai Muchaneta vakagara pasi vakatandavara
makumbo. Vakambobata muromo ndokuona
uchakangozvimba.
"Chitaurai tinzwe kuti zvafamba sei?"
"Zvakaoma muroora.Pandaenda kutsime
ndasvikowana muzukuru agere apa uyu
akambundirana nemumwe mukomana
vakahwanda nemuti wemuonde.Ndanyangira
ndokusvika pavaiva chaipo.Saka ndazoda

~ 82 ~
Abraham Makamera

kuvabata vose uyu ndipo paazondikandira


zvibhakera zviviri zvasvikondirova pamuromo
chaipo.Chetatu ndazotonzvenga ndipo
paazonhonga dombo ave kuda kunditema.Dai
asiri muvakidzani wangu ange ari mubindu make
azondinunura, zvimwe ndikadai ndatova chando,"
vakazopedza kutsanangura uku Monica ainge ave
kutochema.
Mai Norest vakambotora kanguva vakatarisa
muroora wavo pasina chavataura.Vakatarisa
muroora wavo ndokuona akatsikitsira.
"Zvakanakai tete,ndichatuma mwana
ozokushevedzai kana baba vaNorest vauya,"
vakadaro mai Norest.
"Ndiripano muroora.Hakuna kwandiri
kuenda.Ndiri kutobva pano mwana uyu adzokera
kumba kwavo. Pasina izvozvo tichapedzerana.
Ndinopika nababa vangu varere mubako,"
vakataura vachisimudza maoko mudenga.
Mai Norest vakashamisika nemashoko aya
ndokusimuka vave kubuda panze.
"Tete mai Muchaneta muri kudiwa," vakadaro
mai Norest vave panze.
Mai Muchaneta vakasimuka ndokubaya Monica
mumusoro nemunwe.Vakakanda nhanho
vachibuda vasina chavataura.
"Ndiri kudiwa nani nhai muroora?"
"Hapana tete. Ndati ndikushevedzei muuye
panze pano.Dzimwe nyaya hadzidi pane vana,"
vakadaro vachitora rupasa rwainge
rwakazendamiswa pamadziro emba yekubikira.
"Ndiri kuuya. Regedza ndimbonwa mvura,"
vakadaro mai Muchaneta vachidzokera muimba
yekubikira.

~ 83 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

Vakasvikowana Monica asimuka kubva paainge


akagara.Ainge akamira akazendama nemadziro
apa maoko akabata kugotsi.
"Yowe-e-e!" vakadaro mai Muchaneta
vachiridza mhere.Vakabuda muimba yekubikira
sezvinonzi vainge vaona nyoka.
"Zvaita seiko?"
"Zvakaoma muroora!Ndiri kuda kupondwa
nepoto!" vakadaro vachifemeruka.
Mai Norest vakamhanyira muimba yekubikira
ndokusvikowana muroora wavo akangomira
akazendama nemadziro.Kana iri misodzi kumeso
yaiita seiri kubuda muchitubu chaimo.
Vakambomira vakatarisa muroora wavo,
mushure ndokuzofamba vachienda
paaiva.Vakasvikomumbundira
vachimunyararidza.Vakambotora kanguva
vakadaro ndokuzobuda vave kuenda panze.
"Usachema mwanangu," vakadaro vachibuda
muimba yekubikira.
Monica akasara ndokugara pasi. Akaridza
mapika semunhu anga achemesa. Akambofunga
kutiza asi kwekutizira ndiko kwaange
asina.Akambofunga kudzokera kumba kwavo
akaona sekuti ainge ave kundozvikanda
mumukanwa meshumba.
Mai Norest zvavakabudawo mumba vakaenda
paiva namai Muchaneta ndokusvikogara
pasi.Pakamboita karunyararo pasina aitaura
nemumwe.Mai Muchaneta vaingoteta teta pasi
nechimuti.
"Mwana akanganisa tete..." vakadaro mai
Norest.
"Zvino muri kurongei nayo mhondi iyi?"

~ 84 ~
Abraham Makamera

vakadaro mai Muchaneta vachikanda pasi chimuti


chavainge vakabata.
"Ko ndingati chiiwo zvangu,ini nditoriwo
mutorwa pano?"
"Ngatimirire mukoma vadzoke."
"Zvakanaka tete,asi musatonge nedemo.Ini
muroora wangu ndinomuda," vakadaro
vachishereketa.
"Hehedee!Zvakakuomera muroora.Iyo pfambi
iyoyi ndiyo yauri kutoti ngaigare mumba mako
mawakasevenzera nemaoko ako aya here?"
vakadaro mai Muchaneta vachitendeka mai
Norest. Vaitoseka zvavo semukadzi wechipiri.
"Ane benzi..." havana kukwanisa kupedza
kutaura vadimburirwa panzira naamai Muchaneta.
"Benzi nderipi apa rinoti rikadzana
unopururudza iwe?"
"Iye muzukuru wenyuka iyeye Promise handiti
ndiye akatiparira mhosva iyi here?"
"Mhosva yauri kutaura nezvayo ndeipizve nhai
muroora?" vakadaro mai Muchaneta vachiratidza
kushamisika.
"Ah!Munoona sezvakanaka here? Pane nyaya
apa tete," vakadaro mai Norest ndokuzoenderera
mberi voti,"Zvabva zvanaka mukoma venyu
vabva vasvika."
VaZindoga vakapinda muchivanze ndokukanda
pasi mutanda wehunhi wavainge
vakatakura.Vakapinda muhozi yaiva
kumabvazuva kwemusha wavo ndokusiya
demo,uta nemuseve zvavainge
vakatakura.Vakabudamo ndokunanga kuimba
yekubikira ndokusvikonwa mvura.
"Ndamuka wamukawo muroora," vakadaro

~ 85 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

vachidavira Monica uyo ainge


avakwazisa.Vakabudamo ndokunanga paiva
nemudzimai wavo pamwe chete nehanzvadzi
yavo.Vakasvikomira vakaisa ruoko rwerudyi
muhombodo.
"Mamukasei mukoma?"
"Ndamuka. Ko mwana aitwa sei mai Norest?"
vakadaro vachifamba kundotora chigaro chaiva
kumucheto kwechivanze.Vakadzoka ndokugara
pasi."Ko zvandabvunza hazvina kunzwikwa here?"
"Ini ndazvitadzawo ini sekuru vaTinei,"
vakadaro mai Norest vachipindura murume wavo.
"Chii chiri kunyatsoitika pamusha pano?"
vakabvunza vachimona fodya
yechimonera.Vapedza vakabuditsa gwenya raiva
muhombodo remudebhe wavainge vakapfeka
ndokutungidza mudzanga wavo.
"Zvandinoita sendiri ndoga pano?" vakadaro
vangoona mudzimai wavo nehanzvadzi yavo
vangoita sevasonwa miromo.
Mai Norest vakasimudza musoro ndokutarisana
navatete vavo vaine chiso chaiti, "Ikandei
mudariroka sezvo vatainge takamira vasvika".
Mai Muchaneta vakaramba vakatarisa muroora
wavo.Vakambozama kuda kutaura asi muromo
wakaramba wakavharika sezvinonzi wainge
wanamwa nenamo.
"Saka munondiudza kuti takavigirwa benzi here
pano pamusha?" Ava vaiva vaZindoga vaibvunza.
"Kuti tingati ibenzi here mukoma? Takavigirwa
zvimwe. Mhondi zvayo.Mombe yemashanga
chaiyo"
"Uri kurevei mai Muchaneta?"
"Ini ndave nekakusagutsikana pamusoro

~ 86 ~
Abraham Makamera

penhumbu yakatakurwa nemuroora wenyu ari


mumba umu."
"Nemhaka yechii usingagutsikane?" vakadaro
vaZindoga vachidimudzira mai Muchaneta
panzira.
"Zvandaona kurwizi uko zvandishamisa..."
"Ndonhema dzamava kuda kutaura tete,"
vakadaro mai Norest vachisimuka kubva pavainge
vagere.
"Unogoti inhema seiko nhai mai Norest? Saka
zviri kutokufadza uchiona muromo wangu
wakuzvimba kudai nhai?"
"Haiwawo,chingotaurai kuti hamude mwana
uyu chete.Ndinozviziva kuti muri kuda mwana
wasahwira wenyu.Zvino pano haafe akapagara
ndinopika nehanzvadzi yangu yakatsakatikira
musango," vakadaro vachipinda muimba
yekubikira.Vakasvikogarara pasi ndokukurukura
nemuroora wavo vachimunyaradza.
Mai Muchanetawo vakasara vachirondedzera
hanzvadzi yavo izvo zvavaiti ndizvo zvainge
zvakonzeresa kuti vazorohwa naMonica.Vapedza
kutaura,VaZindoga vakasimuka chinyararire
ndokutevera mudzimai wavo ndokusiya mai
Muchaneta vakangogara voga vachizvidya
pfungwa.Chainyanyovanetsa ndechekuti
vaZindoga vainge vasina kumboratidza
kutsamwira muroora wavo pane zvose zvavainge
vavaudza.Vakasimuka ndokupinda munzira
vonanga kumba kwavo vasina kuoneka.
"Ndingarohwa nemwana uya zvotongorova
zvakadaro? No.Ndaramba ini. Uyo ndiye ari
kutozodzokera achida asingadi," vakadaro mai
Muchaneta vachitaura voga vari munzira kuenda

~ 87 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

kumba kwavo.
"Usachema muroora. Murume wako ndataura
naye ati ari kusvika mangwana zuva
rorereka.Sununguka zvako."
"Zvakanakai amai. Hoo mataura naye nhai?
Kana achiuya zvake mangwana pakanaka mhai.
Mazvita zvenyu." akadaro Monica achiombera, asi
misodzi yainge yaramba kupwa pamatama.Yainge
ichingoyererera semvura iri kubuda muchirongo
chakatsemuka. Kana dziri pfungwa dzaiita
murambamhuru kana chamupupuri
chaicho.Akazongozvishingisa nemashoko aiti
tongoona kunowira tsvimbo nedohwe,sezvo dai
ndakaziva yainge isingachatungamire.Chainge
changovapo kutamba inorira.

~ 88 ~
Abraham Makamera

TSAURO 12

"K
o Monica ari kutsvageiko pano nhai amai?"
akabvunza Promise achipinda muchivanze
asina kana kumbokwazisa amai vake.
Ndiko kunonzi nevakuru,rabva nedera denhe
kupinda gaya.Haasiriye here Monica waaigarorota
nekumuchemera zuva nezuva? Zvechokwadi
rinonyenga rinohwarara.
"Unopenga here Promise? Uri kundibvunza
mubvunzo siri, hauzive zvawakasiya waita here?
Unofunga ndaikunyepera here? Ko unomboti rina
manyanga rinomboputirwa here nhai?"
"Zvaamaiwo futi. Imi munongotambira vanhu
sezvinonzi panochengetwa nherera pano nhai,"
akadaro Promise achipinza ruoko muhombodo.
"Ndinokurova Promise! Usafunga kuti zvawava
nendebvu ndingatadza kukuwadzura nembama
izvozvi so.Mashoko rudzii iwayo auri kutaura?"
vakadaro mai Norest vachinongedza mwana wavo
nemunwe.
Monica akabva kuseri kwehozi uko ainge ari
kurasa marara ndokukanda mutsvairo pasi
pamwe chete nechizen'e chaainge
akabata.Akafamba ndokuchingura murume
wake.Akatambira bhegi raiva rakabatwa
navamwene vake ndokupinda naro
mumba.Akasvikoritsveta parupasa iye ndokugara
pasi.Pasina chinguva vamwene vake vainge
vatopindawo.
"Haa, zvakandiomera gore rino," vakadaro mai
Norest vachigara padivi nemuroora
~ 89 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

wavo.Vakabata pamhanza pavo apa chiso


chakatarisa pasi.Vakambotora kanguva vakadaro
vachiratidzika semunhu ari kufunga zvakati
dzamei.
"Gogogoi muno!" akadaro Promise achipinda
muimba yekubikira apa maoko ainge akanyudzwa
muhombodo.
"Gogogoi pano,maoko ari muhomwe chirudziiko
ichocho? Ndinokurova Promise. Usada kukwidza
BP yangu wanzwa," vakadaro mai Norest
vakatarisa mwana wavo nechiso chainge
chaunyana pahuma nehasha.
"Zvanaka wabva wasvika Rose. Huya pano
mwanangu," vakadaro mai Norest vachishevedza
Rose uyo ainge achangopinda muchivanze
achibva kuchikoro.
Rose akapinda mumba ndokuswedza amai vake
pamwe chete naamaiguru vake.Akaenderera
mberi nekukwazisana pamwe chete
nekubvunzana mufaro nehanzvadzi yake.Zvose
izvi aizviita akapfugama parupasa ari padyo
namai vake.
"Ndauya amai," akadaro Rose apedza
kukwazisana naPromise.
"Ndinoda usvike kwavatete vako uko
undovaudza kuti Promise auya."
"Zvakanakai amai. Chiregai nditange ndabvisa
yunifomu."
"Usaenda zvako Rose. Ndapfuura ndichivaona
ndisati ndasvika kuno.Vari kusvika pano zvino
zvino. Vachamboonana nemuenzi wandavavigira
ndingadai ndauya navo kuno," akadaro Promise
akatarisa Rose uyo ainge atosimuka kubva
paainge akagwadama.

~ 90 ~
Abraham Makamera

"Muenzi?" vakabvunza mai Norest


vachishamisika. Vakaendera mberi voti,"Ndiani
muenzi iyeye waungavigira mai Muchaneta?"
"Zvaamai vakomana. Muchamuziva zvenyu
manje manje," aitaura mashoko aya akatsikitsira.
Rose akasimudza bhegi rake remabhuku
ndokubuda ave kunanga kunhanga kwake.
Muimba yekubikira makambosara mune
karunyararo pasina aitaura nemumwe.
"Pamusoroi!" akadaro Monica achiombera
maoko,mushure ndokusimuka.Akagudubudza
mapoto ndokupakurira Promise mutakura
wenyimo wainge wakasanganiswa
nechibage.Akadzokera paainge akagara
ndokutambanudza ruoko achitambidza Promise
ndiro yaiva nemutakura.Promise akaramba
akapeta maoko ake semunhu asina chaaiona.
"Iwe Promise! Haugoni kutambira ndiro yauri
kutambidzwa here?" vakadaro mai Norest.
"Mune chiiko mundiro macho zvamunondiitira
hasha nhai amai?"
"Mutakura wenyimo uyo hauuoni ipapo?"
"Handina kumboti ndinoda mutakura ini amai.
Iye dzake dziri nyasha dzeiko dzekuda
kundipakurira mutakura?" akadaro Promise
achisimuka paainge akagara ndokubuda panze.
"Dzorera zvako mwanangu."
Monica akasimuka ndokutsveta ndiro yaainge
akabata murusero rwaiva kumberi kweimba.
Akadzoka ndokugara pasi,misodzi yainge
yajenga mumaziso.Akatsikitsira pasi ndokutanga
kusvimha misodzi.
"Usachema mwanangu. Zvichanaka zvino
zvino," vakadaro mai Norest vachibata muroora

~ 91 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

wavo papfudzi.
"Zvinenge zvaramba izvi amai. Ndosvika kupi
ndichirwadziwa kudai? Zviri nane ndidzokere
kumba amai," akadaro Monica misodzi ichiiyerera
nematama.
"Ko murume wako unomusiya nani nhai
mwanangu? Imba inoda kutoshinga iyi.Usafunga
kuti dzimba kuita chin'ai kudai tiri pano zvaiva..."
Havana kuzopedza kutaura vadimburirwa panzira
naPromise uyo ainge apinda mumba achipopota.
"Imi amai asi ndimi makamupa nhumbu here
mwana uyu? Muregedzei aende kumba kwavo
handiti ati anoda kuende here?"
Mai Norest vakashamiswa nemashoko emwana
wavo ndokuramba vakamutarisa vakazopedzisira
nekudzungudza musoro.Monica akasimuka kubva
paainge akagara ndokufamba achibuda panze
ndokunanga kuimba yake yekurara.Akapinda
ndokuvhara musiwo achiita zvekurovera nehasha.
"Anozviuraya mwana wevanhu uyu
Promise.Ngozi yacho munozoigona here?"
vakadaro mai Norest vachiratidza kushushikana
nokuita kwemwana wavo.
"Zvaamai vakomana. Kuchine ngozi here these
days?" akabvunza amai vake achiseka zvake.
"Inoshaikwa nemhaka yei nhai mwanangu?
Yuwii! Kuona jaya rotsvikidza muswe sekahanda
munhu wotofunga kuti ndayarutsa izvo
mupfungwa ijeche."
"Zvengozi isuperstition chete izvo amai.
Musada kundivhundutsira." Akakanda nhanho
mbiri ndokundogara pasi.
"Chindiudza mwanangu, muenzi wawange
uchitaura nezvake ndiani?"

~ 92 ~
Abraham Makamera

Promise akanyemwera ndokuti,"Muchinazvo


mupfungwa nazvino here amai? Ndafunga kuti
tataura nezvayo ikapera."
"Chidembo chakambovhiirwa paruzhinji
kutanga riini nhai mwanangu?" vakadaro mai
Norest chiso chichinyemwerera.
" Muroora wandakuvigirai."
"Muroora?" vakabvunza semhunhu asina
kunyatsonzwa zvainge zvataurwa.
"Hongu amai. Ko baba vaenda nguvai zvavadai
vasati vasvika?" Uyu mubvunzo wainge uri
wekuda kungorasa amai vake panyaya yavainge
vaparura.
"Vaenda pava nechinguva. Ndinofunga
vapfuura nekwasekuru vavo uko kwaiva
nehwahwa nezuro.Zvino ratova barikaka iri
mwanangu?"
"Haa sekuru ndasangana navo kugura uko..."
Akadaro achiita seasina kunzwa zvainge
zvabvunzwa naamai vake.
"Iwe ndizvo zvandabvunza here izvozvo? Ndati
ratova barika here iri?"
"Barika rechiizve nhai amai? Ndinoroora one
wife chete ini."
Mai Norest vakambogwesha vachiswedera
pachoto ndokukuchidzira moto.
"Zvino mumwe uchaita zvekudini?"
"Mumwe chii nhai amai? I am now confused
nenyaya yenyu iyi.Tadii tangosiyana nayo?"
akasimuka ndokufamba achibuda panze
"Ndichambosvika kwavatete uko," akadaro atova
panze.
Mai Norest vakasara vari voga muimba
yekubikira.Vakasimuka ndokutora shambakodzi

~ 93 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

ndokuigadzika pamoto.Vakafuridza moto wainge


wadzima nekuda kwemvura yainge ichibuda
mushambakodzi yainge yakatsemuka.
Vakasimuka ndokunokora zviupfu zvishoma
ndokuzvikanda mushambakodzi.Vakagwadama
ndokufuridzazve moto,mushure ndokusimuka
vave kubuda muimba yekubikira.Vakambofamba
famba nechivanze ndokuzonanga kuimba
yaMonica.Vakasvikigogodza pasuwo ndokunzwa
pasina aidavira.Vakavhura musiwo zvishomanana
ndokudongorera semunhu ari kutya.Vakaona
mumba musina munhu ndokutendeuka vave
kuenda kunhanga kwaRose vakasvikowana Rose
angori ega,ari mubishi rekunyora masvomhu
"Ko zvaungori wega maiguru vako vaenda
kupi?"
"Havasati vadzoka here?" akapindura Rose
achiruma ruma chinyoreso.
"Kudzoka kubva kupizve?" vakabvunza mai
Norest vachikatyamara
"Vabuda vachimhanya. Ndafunga kuti vari
kumhanyira mukoma nekuti vabuda
vakatevedzana," akavhara bhuku raainge
achinyorera ndokuriisa mubhegi maiva nemamwe
mabhuku.Amai vake vakangotendeuka vasina
zvavataura ndokuenda kuimba yekubikira.
Vakasvikokuchidzira moto wainge wave kumhova
ndokubuda vamonera chichari.
"Ubike sadza kana mvura yavira.
Ndichamboenda kwavatete vako uko," vakadaro
vachifamba semunhu anonoka kumusangano
wasabhuku.
"Zvakanakai amai," akadavira Rose achibuda
munhanga make.Panguva iyi zuva rainge

~ 94 ~
Abraham Makamera

ratodzokera muna mai varo.Mai Norest vakabuda


muchivanze ndokupinda munzira yainanga
kwamai Muchaneta.Vaiti vakambonzonza
vofamba,vonzonzazve vofamba.Vakayambuka
karukova Mvurachena ndokupota nechikomo
chainge chine musha wamai Muchaneta muzasi
macho.
Vachindosvika pachivanze vakawana ari
manyama amire nerongo.Mai Muchaneta vainge
varikubakwa vachinetsana nekuvhomhora
rukuni,ukuyo Promise,Monica nemumwe mukadzi
vainge vari muimba yamai Muchaneta yekubikira
muchiita semune vatambi vetsiva.
"Nhasi ndoda kukazvambaradza,kakajaidzwa
kamwana aka," vakadaro mai Muchaneta
vavhomora rukuni rwavange vaitira mutsimba
pabakwa.
"Zvambonyanyoita seiko pano nhai tete? Ini
ndirikutya kana kutopinda mumba umo,"
vakadaro mai Norest vangoti tuzu pakati
pechivanze,apa maoko ainge aiswa pachipfuva
zvino.
"Makakajaidza mhani. Zvino ini
ndinokazvambaradza kwete zvekutamba,"
vakapaumba vachifamba kupinda muimba
yekubikira.
Monica paakaona mai Muchaneta vapinda
vakabata rukuni urwo vaida kumupaza narwo,
akaikwetsura mhere iyo yaiita seyemunhu adirwa
nyimo dzinopisa kumusana.
"Ndinokuuraya iwe! Usada kundiitira mafunnies
pamba pangu wanzwa," vakapopota mai
Muchaneta vachisimudza rukuni rwavainge
vakabata mudenga.

~ 95 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

Pavakada kuti vachizamudzira vakanzwa ruoko


kwii rwabatwa. Vakatendeuka nehasha
ndokusundidzira mai Norest kwakadaro
uko.Mukadzi mukuru akati dzadzari dzadzari
nemhendeshure achindodonhera
panze.Vakambotora kanguva vari pasi
ndokuzobatsirwa kumuka naMonica uyo ainge
abuda mumba achimhanya mushure mekunge
apotswa nerukuni rwainge rwakabatwa namai
Muchaneta.
"Waita zvako mwanangu. Ngatibve pano
tingauraiwe takasvinura sematemba" vakadaro
mai Norest vachisimudza chichari chavo chainge
chawira pasi pavakadonha.
Vakafamba vachiita kunanaira,vachiratidza
kurwadziwa.Munzira hapana akataura nemumwe
kudzamara vasvika kumba.

~ 96 ~
Abraham Makamera

TSAURO 13

A
chindosvika kumba Monica akapinda muimba
yake yekurara ndokurovera musuwo waiva
kumashure kwake.Akazvijatira pasi ndokubata
musoro,misodzi ichibva yatanga kuyerera ichidzika
nematama.
"Hapana kusiri kufa apa. Ah!" Apa aitaura ega
neizwi rizere hasha.Akazunza maoko
ndokusimuka kubva paainge
akagara.Akarongedza mbatya dzake mubhegi
rake ndokubuda achisiya musiwo
wakavhurika.Akakanda nhanho achinanga kuimba
yekubikira uko kwaiva navamwene vake pamwe
chete navatezvara vake.Akasvikogwadama pasi
ndokuswedza vatezvara vake.Mushure mezvo
akavaoneka achiti ava kumbodzokera kumba.
"Ko zvaita seizve nhai mwanangu?"
Vakabvunza VaZindoga vachishamisika.
"Zvakaoma Shumba," vakadaro mai Norest
vachibata murume wavo muromo.Vakaenderera
mberi voti,"Ndange ndisati ndataura nababa vako
maererano nezvaitika vachangosvika zvino
zvino."
"Chii chanyanyoitika mai Norest? Asi madzinga
mwana pano here?"
"Kwete Shumba. Mwana ange opondwa
kumukunda wenyu uko. Zvichibvawo
nemwanakomana wenyu mudiki uyu anoita
seakarumurirwa mumadhirezi. Kuti ndiro basa
rehuticha iroro rinomupa kudaro kana ritoriwo
~ 97 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

shavi zvaro?"
"Taurai chaitika mbuya vaTinei."
"Ko zvaauya neumwe mukadzi. Zvanzi ndiye
muroora.Zvino amusiya kwamai Muchaneta
uko.Ini ndazotevera ikoko ndikawana pachiita
sepane mutambo wetsiva,zviri zvibhakera zvega
zvega.Mukunda wenyu kutozotora danda zvanzi
ndoda kukaponda nhasi,kureva mwana agere apa
uyu," vakadaro vachinongedza Monica.
"Rose! Rose!" vakadaidzira VaZindoga
vachishevedza mwanawavo.
"Baba!Ndiri kuuya," akapindura achibuda
munhanga make.Akasvikogwadama pasi
ndokumirira kuti baba vake vataure zvavainge
vamushevedzera.
"Tora bhegi raamaiguru vako iri uridzorere
muimba mavo umo."
"Ehoi baba" Akasimudza bhegi ndokuenda naro
kumba kwaamaiguru vake.
"Chinzwaka muroora. Chirara nhasi, totaura
nyaya yenyu mangwana.Apa ndange
ndambonzwa sekuti vana baba vako varikuuya
kumapere mangwana," vakadaro VaZindoga
vachishereketa.
"Zvakanakai baba," akadaro akatsikitsira pasi.
Sadza rakadyiwa vanhu ndokuenda
kundorara.VaZindoga vakambosara vachitandara
nemudzimai wavo vachifunga kuti Promise
angasvika asi vakaona nzira ingori mhepo chete.
Pavakazobuda muimba yekubikira vave
kundorara nguva dzainge dzatoenda.Ukuwo
Monica ainge achiti akambogara pasi,osimuka
odongorera nepahwangwaridzo yaiva pagoni
reimba yake, odzokera ondogara pamusoro

~ 98 ~
Abraham Makamera

pebhegi raiva nembatya dzake achiridza tsamwa.


Kunyangwe zvazvo VaZindoga vainge
vamuvimbisa kuzogadzirisa nyaya yainge yaitika
zuva richangonyura musi uyu,hazvina kukwanisa
kudzora pfungwa dzake dzekuda kuenda
kumusha kwavo.Ainge akangomirira kuti vanhu
varare otakura twake oenda.
Akambopuruzira dumbu rake iro rainge roita
sereshato yamedza mbudzi.Mushure akasimuka
ndokudongorerazve akanzwa panze hapasisina
kana ruzha. Mazwi aVaZindoga nemudzimai wavo
aainge achimbonzwa ainge anyarara.Akadzokera
paiva nebhegi rake ndokuritakura, akambomira
akabata dumbu rake.
"Ko mwana uyu ndinozoita sei naye?"
akazvibvunza achitaura ega.Akadzorera bhegi
pakare ndokumbogara pamusoro paro achiratidza
kufunga kwakanyanya. "Tinozongozviona. Ivo
vana mai Muchaneta vanodai kutirova nehuni
vakagovachengeta wani vana vatatu pasina
murume." Akasimuka ndokusimudza bhegi
rake.Akavhura musiwo zvishomanana
ndokubudisa musoro achidongorera kuti hapana
ainge achiri panze here. Munhu
waainyanyokutotyira ndiVaZindoga avo vaiti kana
varohwa nechikara chefodya vaibuda panze
voputira panze sezvo mudzimai wavo ainge
asingafarire hutsi hwefodya.
Akanzwa panze pakanyarara ndokuwedzera
kuvhura musuwo.Akakanda gumbo rerudyi panze
zvinyoro nyoro.Paakada kuti reruboshwe riende
pamberi, imbwa yaVaZindoga yakabva yatanga
kuhukura ichienda kunzira yaibva
nechekumadokero kwemusha.Monica akadzokera

~ 99 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

mumba achiridza tsamwa ndokuvhara musiwo


zvishomanana.Akatsveta bhegi rake pasi
ndokumira akadongorera nepakahwangwaridzo
kaye kaiva pamusuwo weimba yake.Akaona
Promise achipinda muchivanze akaisa bhachi rake
pafudzi.Mwana akazadzwa nehasha
ndokusimudza mupinyi webadza waiva padyo
netsoka dzake.Akavhura musiwo zvishomanana
ndokuona Promise achipinda muimba
yake.Akadonedza mupinyi uya pasi ndokutanga
kufamba famba neimba yose.Akazopedzisira
nekutura befu semunhu ange akatakura mutundu
wairema.
Akasimudza bhegi rake ndokubuda achisiya
musiwo usina kuvharwa.Akambomira muberere
reimba yake kwekanguva
kashomanana.Akazobvapo ndokufamba achienda
padare ndokutora kachigutsa muchoto
ndokufamba achidzokera kuimba
yake.Akasvikovhara musiwo zvishomanana
ndokufamba ava kubuda chivanze.Mwanasikana
aifamba zvishoma shoma akaisa bhegi raiva
nembatya dzake pamusoro,apa tsoka
dzichipfumbura huruva semunhu ari kupfudzira
zviyo.Akanyenyeredza musha wasekuru
vaPromise,ndokuzondopindira munzira kwave
kumberi.Akasvika pamharadzano dzenzira
ndokumbotsveta bhegi rake ndokubata
muchiuno.Ainge ave kuzarirwa zvino,zvainge zvoti
kuremerwa nembatya dzake pamwe chete
nedumbu rake rainge rave kumutyora
musana.Akarasa chigutsa chaainge akabata
kuruoko rwerudyi ndokutakura bhegi rake ave
kusimudzira nerwendo rwake.Akasiya nzira

~ 100 ~
Abraham Makamera

yainanga kuchigayo ave kutora yainanga kumba


kwavo.Akayambuka rukova
Nyamapere,ndokupinda mudunhu
mavo.Akamboremerwa nemakata
ndokumbozorora achangoaapedza.Haana kutora
nguva,akati arusimudzira rwekudzokera
kumusha.Mwanasikana akafamba zvino ave
kufemera pamusoro sendere. Bhegi raainge
akatakura rainge rave kuita serawedzerwa
dzimwe mbatya zvino.Akashingirira
ndokundopinda muchivanze chavatete vake ave
kunanaira chaiko.Akasvikojatira bhegi pasi
ndokugara pamusoro paro.Akambozorora
kwenguva akabata shaya.
Vatete vake mai Mavis vakanzwa kuti dhii
panze ndokupepuka kubva kuhope vachiita
zvekuvhunduka.Vakapukuta maziso ayo ainge
azere mabori,mushure ndokutsvanzvadzira pasi
vachitsvaga gwenya.Vakaguma rambi ndokubva
radonha richirasa parafni.Vakaridza tsamwa
vachibuda mumagumbeze ndokufamba
vachienda pamusiwo.Vakauvhura
zvishomanana,ndokushamiswa nezvavakaona
panze.
Mukadzi mukuru akavhara musiwo ndokubata
pachipfuva,hana yavakuita kunge ngoma yeziyoni
kuri kurova.
Vakachangodaro,vakanzwa pamusiwo
kugogodzwa zvinyoro nyoro asi havana
kupindura.Vakamboti zvimwe vainge vatadza
kunzwa ndokumbodzikamisa hana kuti
vanyatsonzwa.Vakanzwazve gu-gu-gu,asi
panguva ino zvainge zvava nechisimba.Mukadzi
mukuru akatanga kupindwa nechando muviri

~ 101 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

wose, nekutya.Vakakanda nhanho vachibva


pavainge vakamira.Pavakakanda yepiri
vakandotsika pagwenya ravainge vambotsvaga
panguva pfupi yadarika. Vakarinhonga
ndokubatidza rambi iro rainge rongopfuta tambo
chete.Vakadzokera pamusiwo hana ichingorova
ndokuvhura musiwo zvishomanana.
"Ndini Monica tete" Akadaro akabata muchiuno.
"Monica! Mwana waTichaona here?”vakadaro
vachikatyamara.
"Hongu tete."
"Ko kufamba neusiku kudai kwakanaka here?"
vakadaro vachinyatsovhura musiwo zvino
vangomira vakatarisa muzukuru wavo uyo ainge
angozembera madziro.
"Its a long story tete," akatura befu, mushure
ndokukotama akabata mabvi ake.
"Long story,long story kuita seiko nhai? Chii
chiri apo icho?" vakadaro vachitendeka bhegi
raMonica.
"Imbatya dzangu."
"Mbatya! Monica chii chaitika.Asi watiza
murume here? Hande tindogara pane bhegi rako
ipapo unyatsondiudza nyaya yako.Vakatsveta
rambi ravainge vakabata ndokubuda
panze.Vakatora rupasa rwainge
rwakazendamiswa pamadziro eimba yekubikira
ndokugarira.
Monica akambosara akakotama achiratidza
kurwadziwa.
" Huya ugare pasi mhani iwe," vakadaro mai
Mavis vakwidza inzwi.
"Ko hasha ndedzei nhai tete? Munoti..."
"Iwe! Unoti ndingasaita hasha iwe uchindiitira

~ 102 ~
Abraham Makamera

matakanana akadai? Unoda ndifarire chii ipapa?


Gara pasi apa." Vakadaro vachirova rova
parupasa neruoko rwavo rwerudyi.
Monica akagara pasi akatandavara, apa maoko
ainge akadzamba pasi.
"Eh taura tinzwe.Chii chanetsa?" Mukadzi
mukuru ainge anonokerwa nekuda kuziva chainge
chaita kuti muzukuru wake afambe neusiku.
"Tadii tapinda mumba tete?Ndirikupindwa
nechando ini," akadaro Monica achipeta maoko.
"Tsvee kupindura zvandabvunza wotondiudza
zvekutonhorwa kwako pano. Imba yaunoda
kupinda ndeyani? Wakasiya wavaka imba pano
iwe? Ndipindure zvandabvunza Monica," vakadaro
vatarisa muzukuru wavo neziso rainge roita
kupenya nehasha.
Monica nekuziva vatete vake akapindura
nekukurumidza, "Tete ini ndatiza murume. Auya
nemumwe mudzimai, zvanzi..."
"Wati auya nechii?" vakabvunza vachiita
sevasina kunyatsonzwa zvainge zvataurwa
nemuzukuru wavo.
"Auya nemumwe mudzimai," akadaro izwi
radzikira.
"Zvino iwe ndizvo zvawatiza here? Ungatotiza
zvako iwe wakanzwa kuti Chipo ane nhumbu
yaPromise."
"Hakusi kugarika uko tete,ndanzwa nekurohwa
tarisai vanga iri ndivatete mai Muchaneta,"
akatambanudza ruoko achiruisa padyo navatete
vake kuti vaone paainge akuvara.
"Hapana chandinomboona apa mainini. Handei
mumba mune rambi umo," vakadaro vachisimuka
kubva pavainge vakagara.Vakasimudza bhegi

~ 103 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

raive nembatya dzaMonica ndokufamba


vachipinda muimba yavo yekurara, muzukuru
wavo ari mumashure.
"Gara nechepapo," vakadaro mai Mavis
vachivhara musiwo.
Monica akagara pasi chinyararire apa ruoko
rweruboshwe rwainge rwakabata muchiuno,
achiratidza kurwadziwa.
"Ko chiizve mainini?" vakabvunza mai Mavis
vaona chiso chemuzukuru wavo kuti chainge
chizere nekurwadziwa pamwe chete
nekushushikana.
"Mabayo tete,zvimwe kutakura zvinorema
kwandaita"
"Mbatya idzodzi here nhai mainini?"
vakabvunza mubvunzo usina akapindura
ndokuenderera mberi voti,"Wati Promise akaroora
mumwe mudzimai? Uri kurevesa here Monica?"
"Ko ndinogonyeperei nhai tete" Akadaro
misodzi yazara mumaziso.Chiso chainge
chachitarisa pasi zvino.
"Nditambidze nhare yangu iri apo iyo
ndimufonere.Akajaidzwa haikona.Anombozviziva
here kuti kurara neunder age imhosva? Akaita
zvekutamba ndinomusungisa," vakatambira
nharembozha yavo ndokuitinya tinya mushure
ndokuisa panzeve.
"Mati mhosva kudii tete?" akadaro Monica
achibvunzisisa.
"Mira ndimbotaura nebenzi iri.Hello...eh
kunogonaka sei iwe uchitamba nematope pasina
mvura?"
"Matope apizve nhai tete?" Iri raiva inzwi
raPromise raingononzwikira pasi pasi richitaura

~ 104 ~
Abraham Makamera

panharembozha
"Zvino chinzwa ndikutaurire,unofra mujere
muzukuru. Iunder age ka iyi zvamunonyatsoziva
babamudiki," vakadaro mai Mavis vachinongedza
Monica.
"Mirai ndiuye ikoko tete tinyatsotaura.
Chimbomirai kutaura zvemapurisa
ndinozvigadzirisa tete.Ndava kutouya. Ndipei 45
minutes ndinenge ndasvika," rakadaro inzwi
raPromise.
Mai Mavis vakazosara votaura vega pasisina
aivapindura.
"Hello! Hellooo! Iyazve zvandangova ndega,"
vakadaro vachibvisa nharembozha yavo
panzeve.Ukuowo Monica ainge ave kungopishana
nepfungwa nekuda kwenyaya yainge yagurirwa
panzira navatete vake.Paakaona vatete vake
vatsveta nharembozha yavo pasi akabva ati
ndawana mukana wekunyatsobvunza nyaya
yavange vachitaura.
"Nhai tete mati under age mhosva kudii?"
"Iyo chiisiyai mainini, tatozvigadzirisa. Ari
kusvika pano manje manje.Chimbotseyamai
muzorore zvenyu," Vakadaro mai Mavis
vachibhabhadzira Monica kumusana.
Monica akapinda mumagumbeze ndokurara, asi
hope hadzina kuuya.Pfungwa dzainge dzave
kufunga nezvenyaya yainzi inosungisa yainge
yataurwa navatete vake.Akazvibvunza mibvunzo
yakawanda asi yose yaishaya
mhinduro.Akazongozviudza kuti rina manyanga
hariputirwi.

~ 105 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

~ 106 ~
Abraham Makamera

TSAURO 14

"N
dibamudiki here?" vakabvunza mai Mavis
vachipindura kugogodzewa kwainge
kwaitwa pamusuwo.
"Yeah ndini zvangu,tete," inzwi raPromise
rakanzwikwa kudavira richibva panze.
Mai Mavis vakasimuka ndokuvhura
musuwo,"Mava kunetswaka kufambiswa neusiku
kudai?" vakadaro vave kubuda panze.
"Ha-a tingati kunetswa here nhai tete?"
akadaro achitambanudza ruoko ndokukwazisana
namai Mavis.
"Mirai nditarise pachoto kuti pachine moto
here," Vakafamba ndokusvika pachoto.Vakateta
teta ndokuona mazimbe matatu kana mana ainge
achine moto.
"Huyai zvenyu tigare mumba babamunini,"
vakadaro mai Mavis vave kutofamba kuenda
kuimba yekubikira.Mazimbe emoto aya ainge
achiiswa mukachizenge.Vakapinda muimba
yekubikira ndokukanda mazimbe aya
muchoto.Vakakuchidzira huni, ndokutora
zvitsotso zvaiva kuseri kwegonhi ndokuzviisa
muchoto.Mushure mekanguva
vachingofuridza,moto wakabvira mumba
ndokubva maita chiedza.
"Pindai mumba babamudiki," vakashevedzera
vachitora chituru chaiva kuseri kwegoni
ndokuchiisa padivi pavo.
"Gogogoi!" akadaro Promise achipinda mumba.
"Pindai zvenyu baba vemwana,garai
~ 107 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

necheapa," vakadaro vachinongedzera chituro


chavainge vaisa padyo navo.
Promise akasimudza chituru chiya ndokukanda
nhanho imwe chete achibva atsveta chituro pasi
ndokugarira.
"Makasimba here tete?" akabvunza Promise
achiombera.
"Tinoonei zvedu isu baba vemwana.Tototyira
imi munogara muri mumasango umo," vakadavira
vachisekerera.
"Haiwa,tinofara isu."
"Zvakanaka wani." Vakambomira zvishoma
vachiwedzera huni muchoto. Vakasimudzira
voti,“Ndini ndakufonerai bamudiki.Ndaona mwana
achisvika pano usiku huno.Ndati ndinzwe kuti
zvanyanyoita seiko?"
Promise akambokwenya kwenya musoro wake
ndokupinduro oti, "Ini zvatondishamisawo tete.
Ndange ndisingatozive kuti auya kuno."
"Babamunini handide zvekuitirwa mafunnies
manzwa.Zvenyu zvekuda kuzviita bhuru
munochemberera mujeri mazvinzwa.Zvino ini
ndinoda muzukuru wangu abatwe semunhu kwete
zvekuda kumuita semhuka zvamuri kuita izvi,"
vakadaro mai Mavis vachitaurira pasi.Monicawo
ainge abuda mumagumbeze ndokubuda
panze.Akambofunga kupinda muimba yekubikira
moyo ukamuti chimbomira.Akafamba
ndokundomira akazembera nemadziro,nzeve
dzainge dzachimiswa mudenga zvino sedzeimbwa
yanzwa mbira kuchema.
"Handina kumbomudzinga ini..."
"Amboti wamudzinga ndiani? Ini ndangoti
handide mwana wangu anotambiswa.Chindiudza

~ 108 ~
Abraham Makamera

chii chaitika kumba kwenyu uko?" vakadaro mai


Mavisi vachitandavara makumbo avo.Ruoko
rwerudyi ndokuchibata shaya vave
kuchinyatsoteerera.
"Tete regai nditaure chokwadi.Ndakatizirwa
kuHarare uko nemumwe musikana
wandinoshanda naye.Zvino pandauya kuno ati
anoda kuuya tichibva tauya..." Haana kupedza
adimburirwa panzira namai Mavis.
"Wava kunyepa manje. Ati ndinoda kuendawo
here kana kuti ndiwe wati handei?"
"Ndiye ati toenda tose," akapindura
akatsikitsira.
"Bvaa zvakanaka baba vemwana. Handiti
murikudzokera kuHarare? Mochitorana
navadzimai venyu moenda mese.Uyuwo
anongokuteverai moonawo zvekuita naye.Kana
mamutadza munongondiudza
toonesana.Handizvo here?" vakadaro vachitarisa
Promise uyo ainge akangotarisa pasi."Asi mava
kutorara here baba vemwana?" vakabvunza
vachizunungusa Promise mushure mekunge
angoramba akatsikitsira asina chaaitaura.
Akasimudza musoro achita zvekuvhunduka,
"Matii tete? Pfungwa dzacho dzava kure, zvotiwo
nehope," akadaro achikwiza maziso ake.
"Saka ndange ndichitaura ndega zvangu?"
"Aiwa tete,ndazvinzwa zvamataura.Handiti
mange muchiti ndoenda naMonica kuHarare
here?"
"Exactly baba vemwana.Inga tiri tose wani.Ko
mazoregedza mudzimai achirohwa mange muri
kupi?" vakabvunza mai Mavis vachigofa gofa
muchoto.

~ 109 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

Mubvunzo uyu wakavhundutsa Promise zvekuti


akambofunga kusimuka paainge ari asi akaona
zvichimuremera.Akati koso koso ndokuzoti,
"Zvakaoma Tete. Ndangosvikawo vanhu vachirwa
ndokubva ndazovabata."
"Ko vairweiko nhai?"
"Kwaniko. Hameno shanje dzavanoitirana
navatete mai Muchaneta.Ndatozvishairwawo
pazvo..."Akabatwa muromo naMonica ainge
apinda mumba achidya marasha.
"Usanyepa Promise! Ndiwe watibata here? Dai
vasiri amai vandinunura ndingadai ndiri pano
here? Handiti ndingadai ndatova chitunha? Ko
kungotaura chokwadi zvakaipei? Promise
wandirwadzisa," akazopedza kutaura misodzi
yazara chiso chese.Pahuro painge pave kuita
sepagarwa nebhonzo dziri hasha.
"Chinyarara muzukuru, nyaya taigadzirisa"
vakadaro mai Mavis vachizama kunyaradza
muzukuru wavo.
"Kugadzirisa chii ipapa nhai tete?
Chamunonyanyoda pamunhu uyu chiiko?
Ngaangoenda kujere kwacho.Handiti pane
mhosva here?" akadaro Monica inzwi rakwira
zvino.
Mai Monica naPromise vakangotarisana pasina
aitaura nemumwe.Panguva iyi Monica ainge ave
kungofamba famba neimba yose.Akati
aisimudzira, "Munotoita zvekumutyisidzira? Manje
ini ndiri kutomukira kupolice tomorrow.
Zvanyanya..."
"Iwe! Iwe! Usatinyaudza mhani.Kana zvichitoita
chitoenda nhasi chaiye. Hee kupolice,heee chino
wakabatwa chibharo here? Tidzikamirei apo.Huya

~ 110 ~
Abraham Makamera

ugare pasi apo," avavaivamai Mavis vainge


vachibata muzukuru wavo muromo.Inzwi ravo
rainge razara nehasha zvekuti Monica haana
kuzomboita nharo. Akagara pasi akatandavara.
Ainge ave kufemereka zvino semunhu ange
achikwikwidza mumujahwo.
"Haa,asi teteka," akadaro achibata rukuni
rwaiva muchoto urwo rwaasina kumboita nguva
akabata.
"Dzorera huni iyo muchoto," vakadaro mai
Mavis vachibvuta huni yainge yakabatwa
naMonica vachibva vaidzorera muchoto.
"Munoti ndinoda kuita seiko nhai tete?"
"Zvapera mainini.Chinzwai shoko rauya nababa
vemwana," vakambomira zvishoma vachiita
sevari kufunga zvekutaura,ndokuenderera mberi
voti,"Zvanzi ndabva kubasa ndisina kupiwa maof
days so vari kuda kutodzokera mangwana
masikati.Zvino vange vati kana zvichiita moenda
mose."
"Kuenda kupi?" akabvunza Monica
achishamisika.
"KuHararezve nhai.Ko anoshandepiko murume
wenyu uyu?"
"Harare."
Panguva yose yaitaurwa izvi Promise ainge ari
kure mupfungwa.Ainge ave kutoona atova
muChikurubi chaimo. Akazozovhundutswa namai
Mavis vainge vamushevedza.
"Babamudiki munenge mave kutorarawo imi,"
vakadaro mai Mavis.
"Marembwa ekufamba tete. Handina
kumbowana nguva yekuzorora," akadaro Promise
achishama n'ai.

~ 111 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Mirai tipedze muzorore. Munenge mava


kutorara panozve, moenda mangwana."
"Matanga tete,ndinofamba ndikasvika
musandityira," akadaro achiseka.
Mai Mavis vakanyemwerera ndokuti, "Ko
vadzimai venyu ava? Munoti pane pamuchavasiya
pano here imi muchienda Harare mose
mangwana?"
Promise akashamiswa nemubvunzo uyu zvekuti
akazvibvunza, "Ndizvo zvavange
vachinyemwerera nguva yose iyi here?"
akashama muromo kuti ataure manzwi
ndokuramba kubuda.
"Mazvionaka? Kutongorara pano,moenda
mangwana," vakadaro neizwi rakanyorovera riine
kakunyengengera mukati.
"Yes, hapana chakaipa tete," akadaro
achitwasanudza gumbo rake reruboshwe.
"Zvakanakai baba vemwana.Zvino tinozouyawo
kuHarareyo zvariini?Tinoziva mukange maenda
nemhuri yenyu isu kuno totokanganikwa."
"Haiwa munouya tete. Tinokutumirai mari
mouya."
"Totenda maruva tadya chakata. Tingazvimbira
maoko tichiuchirira chirongo chemvura tichiti
ingoto.Mirai ndikugadzirirei pekurara muzorore,"
vakasimuka mai Mavis ndokubuda muimba
yekubikira vachisiya Promise naMonica vagere
zvavo.Vakaenda muimba yavo yekurara
ndokubuda vakatakura magumbeze.Vakapinda
nawo muimba yaimbova nhanga yaMonica
ndokuwaridza.Vapedzazvo vakadzokera muimba
yekubikira ndokuwana vaviri vachikurukura
zvairatidza kuwirirana.

~ 112 ~
Abraham Makamera

"Chiuyai muzorore musazofambe muine hope,"


vakadaro vakamira padivi naMonica.
"Ndibateiwo ruoko ndisimuke," akadaro Monica
achitambanudza ruoko rwake kuna mai Mavis.
"Apa ndangosimuka ndega apa," akadaro
achiregedza ruoko rwavatete vake rwaainge
akabatira.
Vakatevera Promise uyo ainge atova panze
kare.
"Tomutsana mangwana," vakadaro mai Mavis
vachienda kuimba yavo yekurara.
"Zvakanakai tete," akadavira Promise
achitevera Monica ainge atopinda mumba
nechekare.Akasvikowana Monica akagara
akazendama nemadziro.Akagwadama pasi
ndokubata maoko aMonica uyo ainge ave
kutosvimha misodzi.Akazama kumutaudza asi
Monica akaramba achingochema asingapindure.
"Monica chinyarara kuchema titaure.I am very
sorry," akatsvetera Promise achigara pasi.
"Promise wandirwadzisa.Handaiziva ndizvo
zvauri," akadaro achipukuta misodzi kumeso.
Promise akamboramba akanyarara seainge
asina kunzwa zvainge zvataurwa naMonica.
"But why...?" akabvunza Monica ave kuchema
zvekare.
"Monica kanhi chinyarara," akaswedera padyo
naMonica ndokumugumbatira.
"Ok," akapindura Monica akabata pamhanza
pake.Makamboita karunyararo Monica
ndokuzoti,"Dzima mwenje uyo."
Promise akagwesha ndokufuridza achidzima
chibani icho chainge chiri kachinhanho kubva
paaiva.

~ 113 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Ndava nehope ndave kurara," akadaro Monica


achipinda mumagumbeze.
"Ok dear chirara uzorore. Good night," akadaro
Promise achipedzisira nekutsvoda Monica
pamhanza.Akapindawo mumagumbeze asi hope
dzakaramba kushanya.Akasara ave kufunga
zvakawanda.Aiti akafunga nyaya yekuenda kujere
ainzwa hana kurova.Chainge chave kunyanya
kumutemesa musoro ndechekuti nyaya dzacho
dzainge dzawanda.
Akambomuka ndokugara achibva atanga
kutaura ega.Akambotora chinguva akagara
ndokuzozvambarara zvekare,asi panguva iyi
haana kuzotora nguva hope dzakabva
dzamunyangira.
Paakati achinyatsorara akanzwa pamusuwo
kugugudzwa ndokubva apepuka kubva
kuhope.Akakwiza maziso ake ndokuona kunze
kwaedza. Akaona maranzi ezuva ayo aipoya
nepazvihwangwaridzo dzepagonhi ndokubva
aziva kuti zuva rainge rabuda.Akazungunutsa
Monica uyo ainge ari kutsi kwehope.Akamuka
achiita zvekuvhunduka.
"Mune vanhu here umo," rakanzwikwa izwi
ramai Mavis richishevedzera riri
panze.Vakazoenderera mberi nekugogodza
pasuwo.
Promise akadavira,"Ehe tirimo tete."Akataura
achisimuka kubva paainge akagara
ndokuzvitatamura achizamura.
Uyuwo monica ainge achingozamura akagara
pasi.
Promise akavhura musuwo ndokubuda
panze.Akamutsana namai Mavis avo vainge vari

~ 114 ~
Abraham Makamera

kuchitara vachisuka hari dzavainge vabikira


mauro ainge apfuura.
"Ko asi vadzimai venyu vakacharara here?"
vakabvunza mai Mavis.
"Aiwa amuka zvake. Ari kungochema
musana,zvanzi uri kurwadza," akadaro achinyepa
zvake.
"Mamuka sei tete?" akadaro Monica achifamba
ndokusvikomira paiva naPromise.
"Ndamuka mainini. Uri sei musana wandanzwa
kuti uri kudzimba?" apa vaitodzumburudza hari
dzavainge vakwesha vachizodziturika pachitara.
"Kwaaniko?Anonyepa uyu. Hausi kurwadza,"
akapindura achirova Promise kumusana
nembama.
Mai Mavis vakapedza kusuka ndokugadzirira
vaviri ava chekudya.Vapedza kudya vakagadzirira
ndokubva vapinda munzira vave kudzokera
kwaVaZindoga.
"Ini ndave kudzokera vanhuwe. Mofamba
zvakanaka.Musazotikanganwawo kuno," vakadaro
mai Mavis vave kuparadzana naPromise
naMonica.
Zvino maenda musina kuonana naTapiwa
anouya akatsamwa nhasi," vakashevedzera mai
Mavis vave chinhanho vachidzokera kumba
kwavo.
Promise naMonica vakananaidzana vachitaura
zvakasiyana siyana. Vachindopinda muchivanze
chaVaZindoga vakawana VaZindoga nevanin'ina
vavo vaviri vakagara panze.Vakakwazisana
ndokubva Promise naMonica vapinda muimba
yekubikira umo maiva nemudzimai waVaZindoga,
mai Muchaneta namai Tinei vanova ivo vainge

~ 115 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

vakasiirwa mukaka namai Muchaneta.


Mushure mekukwazisana, Promise naMonica
vakagara pasi.
Chakashamisa vaviri ava ndechekuti pavanhu
vaiva mumba hapana airatidzika kufara. Zviso
zvavo zvainge zvakangosuwa.
"Ko kwakanaka here nhai amai zvamabva
maita semunhu anorwara?" akabvunza Promise
aona chiso chaamai vake avo vairatidzika
kushungurudzika zvakanyanya.
"Kunogonaka chii? Unoda kuti mai vafe
nekufunga here nhai Promise?" ava vaiva mai
Muchaneta vaipindura Promise.
Promise akamboramba akanyarara achifunga
kuti zvimwe vainge vachifunga kusarara
kwavakaita pamusha apa mauro ainge apfura.
Akakosora achishereketa ndokuti, "Ndizvo
zvingavakwidza BP here nhai tete? Hatisi vana
vadiki vekutadza kuziva zvatinoita tete."
"Unopenga chete mwana iwe? Vaenzi vari
panze apo wavaona here?" vakabvunza mai
Muchaneta izwi ratokwira.
"Muri kureva vanababa vakagara pamumango
apo here?"
"Ndingati vaenzi ndichireva vana baba vako
here? Pane mhuri yako iri kumuranjisi uko."
Promise akasimuka achiita
zvekusvetuka.Akabuda mumba achifambisa
ndokuenda kwainge kwarehwa.Akashamisika
kuona kune vanhukadzi vatatu vakagara pasi
pemuranjisi.Pavanhu apa paiva nemusikana ainge
akagara akapfnya chisero.Akambomira asati
asvika paiva nevanhu ava.Akasanganisa maziso
ake nemusikana uya ndokubva

~ 116 ~
Abraham Makamera

vazivana.Akatendeuka ndokufamba ava


kudzokera kuimba yekubikira.Akasvikogara pasi
akabata musoro.Monica akamutarisa ndokuona
chiso chaPromise chasanduka.Akada kumubvunza
kuti kwainge kwakanaka here asi hapana
akamupindura.

~ 117 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 15

P
romise haana kuzoenda kuHarare musi waainge
akatarisira mushure mekunge paine dzimwe
nyaya dzainge dzanyuka.Akafonera kubasa
achikumbira mazuva akati kuti achiitira kusiya
agadzirisa nyaya idzi.
Pakapera mazuva maviri mushure mekunge
abva kumba kwamai Mavis, akamuka
mangwanani ndokuenda kwavatete vake.
Achingosvika akawanawo
vachangomuka.Akavamutsa ndokupinda
mumunda wechibage.Akadzoka abata miguri
miviri yechibage ndokupinda muimba
yekubikira.Akasvikogara pachituro icho chaainge
aisirwa navatete vake.
"Ko hamuna kurara madya here zvamamukira
chibage kudai?" vakabvunza mai Muchaneta
vachiwedzera huni muchoto.
"Kwaaniko tete. Ndakarara ndakagutisa
zvisingaite.Chete handina kubvira ndambodya
chibage kubva zvandauya," akataura mashoko
aya achibvisa chibage chiya mashizha.Akaisa
chaainge abvisa mashizha mumoto
ndokumbosara akabata chimwe chacho.
"Chindipa icho ndikugochere nechepano
pakanaka."
Promise akatambidza chibage chiya vatete
vake ndokuti, "Ko vazukuru venyu vaenda kupiko
zvandisina kumbovaona kubva zvandasvika?"
"Vanombogara pasi here? Vaenda mugomo
umo. Zvanzi toda kundotsvaga huni," vakadaro
~ 118 ~
Abraham Makamera

vachiisa chibage chiya muchoto.


"Waita zvakanaka watouya kuno. Ndaitoshaya
kuti ndotaura newe sei pasina vanhu.Dzora
musiwo uyo," vakadaro mai Muchaneta.Promise
akasimuka ndokuvhara musiwo
zvishomanana.Akadzoka ndokugara pasi asina
chaataura.
"Nhai mwana wehanzvadzi yangu, mhuri yako
iyi unoigona here?"
"Teteka, zvakaoma.Kutaura chokwadi ndiri
kushaya hope nenyaya idzodzi."
Mai Muchaneta vachinzwa manzwi aya
vakanyemwerera zvekuti Promise akashaya
zvazvaireva.
"Zvino muchatadza kurara kusvika riiniko
Shumba? Handiti ndiyoyi nguva yacho
yekuzvigadzirisa zvisati zvakomba here?"
vakadaro vachishandura chibage chainge chiri
pachoto.
Tete zvakaoma. Ndiri kutoshaya kuti ndotangira
papi chaizvo."
"Muzukuru, chirega kuita semwana wanzwa?
Sarudza mudzimai waunoda pavakadzi vako
vatatu ava. Asi kana wati woita barika
usazotinetsa mangwana," mai Muchaneta
vakadaro vakatarisa Promise uyo ainge
akangotsikitsira.
"Chinonetsa ndechekuti ndikatora umwe, ko
vamwe vaviri vanozoita sei? Kana ari seuyu
teacher uyu anoswera asvisungirira
ndinokuudzai."
"He-he-de!Kuzvisungirira? Seka zvako mwana
waNyamuzihwa" vakadaro vachiseka,
ndokusimudzira voti,"Saka iwe ungatya munhu

~ 119 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

anozviuraya? Handiti upenyu ndehwake?"


"Hongu tete," akapindura achiita semunhu
ainge ave kutya.
"Zvino pavaviri vasara ava,pane wauchatya
here? Mai Tavonga ungavatya iwe?"
"Ndipo pane nyaya hombe ipo paye tete."
"Nyaya yeizve Shumba?" vakambomira
zvishoma vachifunga kuti Promise angavapindura
asi akaramba akanyarara.Vakabura chibage
ndokuchiturika papfhwa.Vakakuchidzira moto
ndokuti,"Iye munhu uya mukasamungwarira ari
dangerous zvisingaite. Zvandakakuudzai paye
hadzisi nhemha dziya shumba.Ndange
ndaurawa."
"Munoziva tine mhosva here ipo paye tete
yekuti ndinogona kuenda kujere?" Promise
akataura mazwi aya ava kuita semunhu ava kuda
kuchema.
"Iyo ndinoiziva. Panoda kungwarirwa.Tete
vacho chete ndivo vanoita sevane ruzivo apa
hapana chinozivikanwa.Zvino ngavachitanga
ivo,kana isu tichizotevera tozotevera,asi
hatitevere mhani."
"Votanga chiizve nhai tete?" Akabvunza
Promise achishaya kuti tete vake vairevei.
"Handiti mati uyo chero akazviuraya hazvina
basa?"
"Hamenoka tete?"
"Promise kwana wazvinzwa?Chaunoti hameno
chii ipapa? Ndinokuendesa ndega kumapurisa
ikoko.Usanditsamwisa wanzwa. Unoda munhu
anokubatsira zvakaita sei?" vakadaro mai
Muchaneta vachipopota.
"Tete musadaro.Ndibatsireiwo," akadaro

~ 120 ~
Abraham Makamera

achipfugama pasi. Haaitadza kupfugama nekuti


tete vake aivaziva.Zvavainge vareva vanenge
vareva zvechokwadi.
"Simuka ugare apo mhani," vakadaro mai
Muchaneta vachiita sevacharova Promise
nembama.
Promise akati kwanyanu ndokugara pachituro,
apa chiso chainge chasanduka zvino.
"Ndichataura namai vemukadzi wako mudiki
uyu. Ndivo vanonyatsowirana nemhuri
yekwaBvudzijena,uye panenge pane hukama
pakati pavo."
"Muri kuda kuti vadzokere here mai Tavonga?
Havambobvume,izvo ndinozviziva," akadaro
Promise achisimudza maoko mudenga.
"Ambotaura zvekuti adzokere ndianiko? Ko
waizviitireiko uri gwara kudai?"
"Handisi kutya ini tete."
"Ndange ndichitaura nezvei zviya?" vakadaro
vakatarisa mudenga vachiita semunhu ari
kufunga.
"Nezvekuona mai vaChipo," akadaro Promise
achisimudza chibage icho chainge chatopora.
"Exactly! Ndichavatuma vondotaura navatete
vamai Tavonga pfungwa iri yekuti vana
vagarisane zvakanaka pano.Pakadini Shumba?"
"Pakanaka tete"Akapindura promise
achitsokonora chibage kubva pamuguri waainge
akabata.
"Saka mazoti vogara vose here?" Akabvunza
mushure mekunge akanda chibage chiya
chaainge atsokonora mumuromo.
"Stage by stage Shumba. Handiti ndizvo
zva...?" Havana kuzopedza kutsanangura vanzwa

~ 121 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

pamusiwo kugugudzwa.Vakakanda maziso


ndokusanganisa maziso neaMonica uyo ainge
achipinda mumba umu.Vakakwazisana asi chiso
chamai Muchaneta chairatidza kusafarira Monica.
"Regai ndiende kuya Nyamuzihwa, simbi inoda
kurohwa ichapisa," vakasimuka ndokubuda
vachisiya Monica naPromise vari mumba
umu.Vakaenda kuimba yavo yekurara umo
mavakamboti nyaa varimo ndokuzobuda
vakapakata chichari papfudzi.
"Ndave kuenda Shumba. Ndinoda kusiya
ndakiya musiwo wangu,"vakadaro mai Muchaneta
vakamira pamusiwo.
"Muri kuenda kupiko mangwanani akadai
tete?”akabvunza Monica asina kuziva kuti ainge
azvidenhera nyuchi dzegonera.
"Ndizvo zvawafambira kuno here iwe? Ini
ndakagara ndataura kuti handide kuona rutsoka
rwako pamba pangu. Iwe wava kuti tusva tusva
uchimisa zidumbu rako rinoita semunhu ane
kwashi sezvinonzi wauya kwaamai vako pano.
Ndinokuputitsa manje manjeso," vakapopota mai
Muchaneta vachipinda mukati.Monica zvaakaona
mai Muchaneta vachifamba kuuya kwaari
akagwesha achiswedera paiva naPromise uyo
akangoramba akatsikitsira achidya chibage.
"Usandidenha ndinokutibura wazvinzwa?"
vakadaro mai Muchaneta vakabata Monica
nebvudzi vachimukweva.Monica aingogwesha
achivateverera.Pasina kana nguva maziso ake
ainge atsvuka kuti piriviri semhiripiri.
"Ndatonyara muzukuru wangu ari apa
uyu.Ndingadai ndakupedzera.Uri kutsvagei
kuno?" vakadaro mai Muchaneta vachiregedza

~ 122 ~
Abraham Makamera

musoro waMonica.
"Ndatumwa kuna baba vaTavonga vari kudiwa
nababa," akadaro Monica achipukuta misodzi iyo
yainge yazara chiso chese.
"Vanotuma iwe ko Rose haako here?"
"Vaenda kuchikoro" Akapindura Monica
achibata musoro wake uyo wainge wave kupisa.
"Kusatonyara! Vamwe vana vezera rako
varikuita zvechikoro, iwe uri kungomisa
kamimbamuteku kako pano. Udzikame mwana
iwe,” Vakapedzisira nekubaya baya Monica
pamhanza."Wazvinzwa here?" vakadaro vave
kubuda mumba umu.Monica haana kupindura,
akangoramba akanyarara.
"Ndaenda ini Shumba. Mukaenda pasina auya
munokiya door makeys moaisa muberere rehozi
iyo," vakadaro vachinongedza hozi yaiva
nechekumadokero kwemusha wavo.Vakabuda
muchivanze vave kunanga kumusha kwavaMafetu
uko kunova ndiko kwaiva nemhuri yavaGaza.
Vachindosvika vakawana muroora
wavaGaza,vanova mai vaChipo, vakagara zvavo
mumba mavo. Vakapinda mumba
ndokukwazisana navasahwira wavo.Mushure
mekubvunzana upenyu vakaiparura yavainge
vafambira.
"Nyaya ingoripo ndeyekuti mwana agare asina
mumwe anomuvhiringa vasahwira,ndiko
muchiona ndichimira mira kudai," vakadaro mai
Muchaneta.
"Zvino yamataura iyi ndiani anozviita? Ko kana
mwana wekwaBvudzijena akazviramba atizopisire
here?" vakabvunza mai Chipo mushure mekunge
vafunga zvakati dzamei.

~ 123 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Ndinofunga mukaipira kuna tete vamai


Tavonga sezvandataura handifunge
vangazviramba.Akashinga mukadzi uya, uye
anoda zvemari. Ndichangoti Promise atsvage
pashoma mozondovasiira," vakadaro mai
Muchaneta vachinyemwerera.
Mai Chipowo vakangonyemwerera
ndokuti,"Zvakanakai vasahwira."
Zvimwe zvakarongwa ndezvakarongwa, zvava
kutoda ivo vaviri.Mai Muchaneta vakazobuda
vakadungamidzana naamai Chipo avo
vaizondopfuurira kuenda
kwavaBvudzijena.Vakapfuura nekwamai
Muchaneta uko vakandopihwa mari iyo
yaizondosvitswa kuna mai Mavis.Mai Chipo
havana kuzogarisa vari pamai Muchaneta sezvo
nyaya yavo yainge yapihwa musoro wekuti,
"Inorohwa ichapisa".
Vakapinda munzira ndokunanga
kwavaBvudzijena.Vaivaona vaingoti hameno
kunomhanyirwa nekuti vaiita zvekupfumbura
huruva nemakumbo ayo ainge
asingachanyatsosimuka.Amai Chipo ainge ari
mukadzi mutsvuku,vari mukobvu zviri pakati
nepakati.Pamakore vainge vakura amai ava,ndivo
vaya vaitingati vana chiramba kusakara dehwe
remvuu. Zviito zvavo zvainge
zvisingachaenderane nezera ravo.Waizotofungira
kuti amai ava vakura wavaona vachigugudzira
nhekwe yefodya pachanza.
Vachangoyambuka rukova vakaona mai Mavis
vari mumunda mavo vachitsvara nyimo.Muzukuru
wavo Tapiwa ainge agere pamusoro pedomo
raiva pakati pemunda uyu achidya ipwa.

~ 124 ~
Abraham Makamera

Vaviri ava vakakwazisana ndokubvunzana


hupenyu sevanhu vainge vave nenguva vasati
vaonana.
"Chiregai ndipedzise kutsvara nyimo dzangu
dzekubika tiende kumba," vakadaro mai Mavisi
vachisimudza badza ravainge vatsveta pasi.
"Chimbomira izvozvo sahwira.Nyaya
yandafambira inokosha kudarika zvose
izvo.Handiti unoziva muzukuru wako ndivahosi
vemwana wangu?" vakadaro Mai Chipo.
"Hongu," vakakanda badza riya pasi ndokugara
pasi vanyatsoterera.
"Zvakanakai ambuya. Ndati regai nditaure
nemi.Ndinofara kuti hukama hwawedzera
kusimba. Chakakosha rudo kwete ruvengo,"
vakadaro vachipukuta fodya yainge yasarira
muchanza chavo.
"Chokwadi mataura,munoona zvatinoita isu
ndizvo zvinofanira kuita vana ava," vakatsinhira
mai Mavis.
"Ipapo waribaya bveni nemumukanwa
chaimo.Ndiyo nyaya yandanyanyofambira ini
nekuti chonetsa ndeuyu anozviitawo musalad
akabviwa naye Harare.Haazokanganise vana vedu
here?" vakataura mashoko aya vachida kunzwa
pfungwa dzaamai Mavis.
"Ndakambozvifungawo izvozvo.Zvino poitwa
seiko zvazvadai? Kwatova kutotamburazve uku?"
vakabvunza mai Mavis vachiombera maoko apa
chiso chichiratidza kupererwa.
Mai Chipo vakashereketa vachisunungura mari
yainge yakasungirirwa padhuku yavainge
vakasunga mumusoro."Ndange
ndichatokanganwa pasuro yenyu iyi yabva

~ 125 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

kumukwasha," vakadaro vachitambidza mai


Mavis mari yavainge vapiwa namai Muchaneta.
"Maita basa sahwira," vakadaro vachiombera.
"Munotenda ini ndini ndakupai here?
Chitotendai mukuwasha,pamwe ndiko
kekupedzisira kudya pfuma yaVaZindoga,"
vakadaro vakatarisa mai Mavis avo vainge vari
mushishi yekusungira mari iya pachichari
chavainge vakamonera.
Mai Chipo vakazopira mai Mavis zvavaifunga
maererano nemudzimai ainge auya naPromise
kubva kuHarare.Mai Mavis vachizvinzwa hana
yavo yakamborova zvekuita
seichatsemuka.Yakazotodzikama pavakanzwa
kuti mai Muchaneta naiye Promise wacho mbune
vainge vachitsigira pfungwa iyi zvekuti
vakazotopedzisira vave kutopembera.Chisina
kuzivikanwa naamai Mavis ndechekuti vainge vari
kufarira n'anga neinobata amai.

~ 126 ~
Abraham Makamera

TSAURO 16

K
wakafuma kuchipfunha pfunha,kuine kamhepo
kaitonhora.Kunze kwainge kuzere mhute iyo
yaipwititika mumakomo ainge akatenderedza
dunhu raishe Musukutwa umo maiva muine musha
waVaZindoga.Monica akamuka rungwanani
ndokutsvaira chivanze chavamwene vake. Apedzazvo
akatora mugomo ndokunanga kutsime. Achindosvika
patsime akatsveta mugomo pasi ndokufamba
zvishomanana achipinda murwizi.Akakotama
ndokugeza kumeso kwake.Apedzazvo akadzokera
paainge asiya mugomo wake ndokusvikousimudza ava
kuenda kundochera mvura.Akasvikopfugama
pamatanda ainge akavhara patsime ndokutanga
kuchera mvura achishandisa komichi yaigara patsime
ipapo.Akati chubvu rwekutanga ndokubudisa komichi
izere mvura ndokuiteurira mumugomo.Paakadzorera
komichi rwepiri akanzwa yava kuramba kunyura
mumvura.Akateta teta mumvura achishandisa komichi
iya ndokunzwa semainge mawira zidanda.
Sekunze kwainge kusina kunyatsochena
akabuditsa nharembozha yake ndokubatidza
mwenje. Akavheneka mutsime ndokuona ari
munhu akatopapamara mumvura imomo. Akati
kwarakwashu, hana yava
kupadagura.Akambomira akabata pachipfuva
kwekanguva, pfungwa dzichiita
chamurambamhuru nekuzama kubatanidza
zviitiko nekuti oita sei zvino. Kuti ainge ari ani
ainge afunga kuzviuraira mutsime umu?
Akazopinda munzira ava kunanga kumba
~ 127 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

kwavatezvara vake.Achindosvika kumba akawana


vamwene vake vamuka.Akavakwaziza
ndokuvarondedzera zvaainge asangana
nazvo.Vachinzwa izvi mai Norest havana
kumboda kubvunza zvakawanda wanda.
Vakangotendeuka ndokugadaira vachipinda
muimba yavo yekurara.Vakasvikomutsa murume
wavo ndokumuudza zvavainge vaudzwa
nemuroora wavo.
"Munhu? Anyatsoona here muroora wenyu
uyu?" vakabvunza vaZindoga vachisimudza
kanhava kavaiisira chimonera chavo.
"Izvo motobvunza iyeka nhai," vakadaro mai
Norest vakatarisa murume wavo uyo ainge ari
mubishi rekutsvaga bepa rekumonera fodya.
"Motomboita zvefodya nhai Shumba imi
muchinzwa kuti kune munhu azviuraya uko? Madii
mamhanya mandozvionera mega? Munodarika
muchitora sahwira wenyu sekuru
vaNgoni,moenda mose," vakadaro vave kubuda
mumba.
Monicawo ainge akangomira pakati
pechivanze,maoko akapetwa semunhu ari
kutonhorwa.
"Mamuka sei baba?" akadaro Monica
achigwadama achiomembera.
"Tamuka wamukawo mwanangu? Ko waoneiko
kurwizi uko?" ava vaiva VaZindoga vaibvunza
muroora wavo vachimona chimonera.
"Ndaona munhu mutsime baba."
"Waona munhu chaiye here iwe?" vakabvunza
mubvunzo uyu vava kufamba kuenda kuimba
yekubikira uko vakasvikobatidza fodya yavo
ndokubuda vakairuma.

~ 128 ~
Abraham Makamera

"Saka haumuzive here munhu wacho?"


"Handina kumbonyatsomutarisa ini baba
ndange ndava..." Haana kuzopedza kutaura sezvo
vamwene vake vaipindirawo.
"Nhai Nyamuzihwa,madii maenda
mandozvionera mega?"
"Ko Promise aripo here?" vakabvunza
VaZindoga vachifamba kuenda muhozi iyo
yaigara midziyo yavo yaisanganisira matemo, uta,
miseve nezvimwewe.
"Hongu ndavasiya vakarara," akadaro Monica
achisimuka kuenda kuimba yake
yekurara.Akambotora kanguva arimo
ndokuzobuda akadungamidzana naPromise uyo
aingozamura nekuzvitatamura.
"Ko baba vatoenda?" akadaro Monica
achibvunza vamwene vake.
"Hongu ndatozoita zvekudzinga chaiko.Huyai
mumba,” vakadaro vachifamba kupinda muimba
yekubikira.Monica naPromise vakavatevera
ndokusvikondogara pasi.
Promise akatsanangurirwa zvainge
zvasanganikwa nazvo naMonica paainge aenda
kundochera mvura.
"Vanhu vanopenga haikona? Ungafra mutsime
rinonwiwa neraini rese ashaya kumwe
kwekuzviurayira here?" akadaro Promise
achishereketa.
"Zvinowanikwa mwanangu.Mira tinzwe baba
vako kana vadzoka," vakadaro mai Norest
vachitaura nemwana wavo.

VaZindoga zvavakabva pamba vakadarika


vachitora sahwira wavo VaZvidzai avo

~ 129 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

vaishevedzwa nezita remuzukuru wavo,sekuru


vaNgoni.Vakavatsanangurira zvainge
zvasanganikwa nazvo nemuroora wavo.VaZvidzai
semunhu mukuru havana kuda kuzonzwa
zvizhinji. Vakangotorawo demo ravo ndokuriisa
papfudzi.
Varume vakadungamidzana vakananga
kurwizi.Vachindosvika kurwizi vakasvikirana
namai Muchaneta avo vainge vaine mugomo.
"Kwakanaka here kwakatakurwa masanhu
kudai? Mafungepiko mangwanani akadai?"
vakadaro mai Muchaneta vachiswedera paiva
naVaZindoga nasahwira wavo.
"Kunogoipei zvako?" vakadaro VaZindoga
ndokukweva chigusvani chefodya mushure
ndokuchikanda pasi vava kuchitsokodzera
nemanyatera.
"Hamuna kumbosangana nemuroora wenyu
here?" vakadaro mai Muchaneta
"Munoreva mai Tavonga here?" vakapindura
VaZindoga vachifamba kuenda patsime.
"Kwete,ndinoreva uyu akabva kuHarare. Auya
kuno kuzochera mvura. Zvino ndaona ati nyaa
ndikati regai nditevere.Ndiri kutoshamisika
kusvika pasina munhu," vakazopedza kutaura
VaZindoga vainge vasingachazviteereri.
"Bata apa sahwira tibvise danda iri," vakadaro
VaZindoga vachitaura navaZvidzai.Varume
vakabatirana danda raiva rakavhariswa patsime
ndokuritsveta kachinhanho kubva patsime.
Vakadzokera patsime ndokutarisa mutumbi
waiva mumvura.VaZvidzai semunhu ainge asati
amboona munhu uyu vakatadza
kumuziva.VaZindogawo vakaramba vakangoti

~ 130 ~
Abraham Makamera

ndee mumvura.
"Mamuziva here munhu uyu?" vakadaro
VaZvidzai
"Hongu," vakapindura misodzi ndokutanga
kuyerera nematama.
VaZvidzai vakangoti kana nazvo.
"Nyamuzihwa zvaita sei?"
"Musha wangu waparara..." Vakatadza kupedza
kutaura misodzi yainge yongochururuka.
VaZvidzai vakazvishaira shumo
yazvo.Vakazama kufunga zvaireva mashoko
ainge ataurwa naVaZindoga asi vakatadza
kuzvinzwisisa.Vakashevedza mai Muchaneta avo
vainge vakangomira chinhanho kubva
patsime.Havana kumirira kuti mai Muchaneta
vasvike pavaiva.Vakafamba ndokusanagana
navo,ndokuvatsanangurira zvavainge vafambira
nezvevainge vaona.
"Zvino imi mamuziva here munhu wacho?"
vakadaro mai Muchaneta vachiratidza kutya.
"Kwete asi sahwira wangu uyu ati
anomuziva.Ini handisati ndambomuona ini."
"Ndinokwanisa zvangu kumuona here?"
vakabvunza mai Muchaneta vava kutofamba
kuenda patsime.
VaZvidzai vakazongogutsurira musoro
ndokutevera mai Muchaneta.
"Ko zvaita seiko Shumba?" vakabvunza
vachiswedera padyo nepaiva nehanzvadzi yavo.
"Zvakaoma mukunda. Musha waparara uyu,"
vakadaro vachinongedza mutsime.
Mai Muchaneta vakasvikokanda maziso
mutsime ndokuramba vangoti ndee semunhu
abatwa nebuka.

~ 131 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Nhai Sahwira ngatimbosudurukai titaure


zvishomana," vakadaro VaZvidzai vachibata
VaZindoga ruoko. Vakafamba zvishomanene
ndokundomira vabva patsime.
"Ndiani munhu uyu?"
"Sahwira nyaya ihombe iyi.Mukadzi ane
mutumbi uri mumvura umu akauya nemwana
wangu teacher uyu kubva kuHarare.Zvino
ndapererwa ini," vakadaro vachidzungudza
musoro.
"Ko zvino aigara kupi?"
VaZindoga havana kuzokwanisa kupindura
mubvunzo uyu vanzwa mukunda wavo akwetsura
mhere.Vainge vachigara pasi zvino mai
Muchaneta.Mukadzi akabongomora iyeye.
VaZindoga naVaZvidzai vakazoenda pavaiva
ndokundovanyaradza.
"Hakuna mumwe,ndiye amuuraya
chete.Ndakakuudzai mukoma kuti muroora wenyu
wamada uyu achakuparirai.Chitarisai kwazvava,"
vakadaro mai Muchaneta vachipukuta zvimisodzi
zvaiva zvakangojenga mumaziso.
"Chimbomirai zvekupumhanha vahanzvadzi
timbotanga tazivisa sabhuku pamwe chete
nemapurisa," vakadaro VaZvidzai.
"Zvinondirwadza sekuru vaNgoni. Sahwira
wenyu ndakavaudza ava.Ndini ndingadai
ndakatotanga kufa ini ipo pano patiri pano,"
vakadaro vachisimuka kubva pavainge vakagara.
"Chiregai ndimhanye kwasabhuku ndisiye
shoko.Ndozotuma mukomana amhanye
kumapurisa nebhasikoro. Ndiri kudzoka zvino
zvino,” vakadaro VaZvidzai ndokubva vave
kuenda.

~ 132 ~
Abraham Makamera

VaZindoga vakasara nehanzvadzi yavo


vachifunga kuti chii chingadai chakonzera rufu
rwemukadzi uyu.
"Ini handisi kupikisa nekuti ndimai Tavonga
vauraya mukadzi uyu, asi ndiri kuti kana
zvikazoonekwa kuti haasiriye tichapaita sei nhai
hadzvadzi?" vakadaro VaZindoga ndokutora
chimonera chavo.Vakambochisukuta sukuta
kwekanguva ndokuzobuditsa bepa vava kumona.
"Ko ndipindureika nhai maSibanda.Ndati
tinozopaita sei apa?" vakabvunza vaona mai
Muchaneta varamba vangonyarara.
"Imi sei muchitsigira mai Tavonga nhai
Nyamuzihwa? Tarisai uyu aenda uyu,ihondo
yemurume iyi.Ndava kutotyira mwana
wavasahwira vangu akauya nezuro uyu.Anogona
kutoteverawo ipapa," vakadaro vakatsikitsira.
"Uri kurevei nhai hanzvadzi?"
"Imi ndimi makakanganisa
Shumba.Hamaifanira kuramba mwana
wekwaGaza uyu motambira
wekwaBvudzijena.Tarisai kwazvasvika.Apa
mwana wekaGaza mava nayezve mumusha
menyu.Mukasapangwarira munomuchema zvino
zvino mwana wevaridzi uyu.Munozopaitawo sei?"
Vakadaro mai Muchaneta vakatatarisa hanzvadzi
yavo.
VaZindoga vakangoti kanha nemashoko aya
ndokusimuka vave kundomira kachinhanho
vachiputa fodya yavo.Murume mukuru aiti
akakweva fodya ombotora kanguva akafunda utsi
vozohufuridzira mudenga.Chiso chavo chairatidza
kushungurudzika zvakanyanya.

~ 133 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

VaZvidzaiwo zvavakabva patsime vakandosiya


shoko kwasabhuku ndokunanga kumba kwavo
uko vakasvikotuma mwana wavo kukamba
yemapurisa iyo yaiva iri chinhambwe kubva
mudunhu iri.
Sekuziva kwatinoita shoko inhondo,nyaya iyi
yainge yatotekeshera dunhu rose nemamwe
ainge akaritenderedza.
Kumbawo kwavaZindoga kwainge kusisina
mufaro.Pasina chinguva chivanze chainge
chatozara vanhu avo vaingotaura zvakasiyana
siya maererano nefro yainge yaita mukadzi
uyu.Vamwe ndivo vaiti Monica, uyo ainge ave
kushevedzwa nezita rekuti mai Tavonga,ainge
auraya mainini vake.Vamwewo vachiti ainge
azviuraya.Asi vazhinji vavo vaiwirirana nepfungwa
yekuti mukadzi uyu ainge aurawa naMonica
nekuda kweshanje dzekutorerwa murume.Uku
ndiko kunonzi nevakuru kuva nechimene chezizi
chekuti parafamba rinonzi muroyi.
VaZvidzai zvavakatuma mwana wavo,havana
kuzotora nguva vari pamusha pavo.Vakapinda
munzira vave kudzokera kutsime uko vainge
vasiya sahwira wavo.Vakasvikowana Sabhuku
nevamwe varume vedunhu iri
vasvika.Vakavakwazisa ndokugara pasi
vakamirira kusvika kwemapurisa.Mushure
mechinguva mapurisa matatu akabva asvika
akadungamidzana nemwana
wavaZvidzai.Vakaradzika mabhizautare avo pasi
ndokubatana maoko nevanhu vaivapo.Umwe
mupurisa wechikadzi akakumbira kuona
VaZindoga namai Muchaneta.Akavabvunza
mibvunzo yakati wandei,zvose zvavaipindura

~ 134 ~
Abraham Makamera

achizvinyora pasi.Umwe wechirume ainge asina


kupfeka hembe dzechipurisa, ndiye
aingotenderera panzvimbo iyi sepane
zvaaitsvaga.Wetatu ndiye ainge akamira patsime
raiva nemutumbi wemushakabvu.
Uya aingofamba famba akaona matsimba
ebhara nechekumusoro kwetsime ndokushevedza
mumwe wake uyo ainge apedza naVaZindoga
pamwe chete namai Muchaneta.Vakataura vari
vaviri uya wechikadzi ndokuzonyora
pasi.Vakatevedza matsimba ebhara ayo
avakashaya kusina kure kwavaenda. Pavakati
vachidzokera patsime, uya wechikadzi akabva
asanganidzana maziso ake nenhekwe yefodya iyo
yainge iri muuswa umo mairatidza kuti mainge
mambotsikwa.Vakaisimudza ndokubva
vambomira uya wechikadzi achinyora.
Vakazodzokera patsime apo painge pane mumwe
wavo. Vachindosvika uya ainge ari patsime
akavatambiza chipepa chaainge atora kubva
mutsime.Vakachibhedhenhura vachiita
zvekunyengerera chaizvo.Vakaona paine mazita
ainge akanyorwa ayo ainge akanyorwa mari
kumberi kwawo. Mamwe emazita aya ainge
asingachatsooneka kusiya kwerimwechete.Uya
mukadzi wekungonyora nyora akangoita
sezvaaingoita kumwe kwese.
Paiitwa izvi vanhu vose vainge vakangogara
pasi vachitarisa zvaiitwa nemapurisa matatu
aya.Apedza kunyora mupurisa wechikadzi
akafamba achipinda murwizi umo maasina
kumbotora chingova arimo.Akabuda akabata
chitupa icho chaiva nezita
rechikadzi.Akasvikotambidza vamwe vake kuti

~ 135 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

vaonewo. Vakazoti vapedza zvavaiita,mutumbi


wakazobuditswa mumvura wakatakurwa
ndokuendeswa kuchipatara chihombe chedunhu
iri uko kwawaizondoongororwa.
Monicawo akatakurwa nemapurisa sezvo ainge
anyoreswa namai Muchaneta kuti ndiye munhu
wavaifungira kuti ainge auraya mukadzi uyu.
"Ndakuudzai vasikana kuti mai Tavonga ndivo
vauraya mainini vavo," akadaro mumwe mukadzi
aona Monica ave kuenda nemapurisa.Monica
haana chaakataura. Akangoita sezvainge
zvarehwa nemapurisa ndokuenda misodzi ingori
pamatama.Promise akambosara akagara
achitarisa mapurisa aya matatu naMonica
vachibuda chivanze.Mupfungwa dzake makabva
mauya mashoko ainge ambotaurwa namai Mavis
mazuva mashomanana ainge adarika.Murume
akasimuka achiita zvekukwakuka ndokumhanya
achitevera vanaMonica.
"Promise dzoka mhani iwe! Zviregere
zvindovharirwa.Mwana wekupi anoroya
zvakadai?" vakadaro mai Muchaneta vachitevera
Promise.
Promise akangotendeuka ndokuti,"Teteka
zvichabuda hazvo pachena." Akavapira gotsi
ndokumhanyira vanaMonica avo vainge vave
kuenda kukamba.

~ 136 ~
Abraham Makamera

TSAURO 17

 M
onica zvaaakatorwa akaendwa naye
kukamba.Vachindosvika mukamba
vakapinda mune imwe hofsi yainge
yakashongedzwa zvakanaka.
"Garai pabhenji iro," akadaro mupurisa
wechirume ainge abva naMonica.
Promise ndiye akatanga kugara,Monica
ndokumbosara akamira achiverenga mapepa
ainge akanamirwa kumadziro kwehofsi iyi.
"Ko imi tokubatsirai sei?"Uyu aiva mupururisa
uya ainge avapa pekugara.
"Ndini ndina amai ava,mudzimai wangu,"
akadaro Promise achinongedza Monica uyo ainge
achakangomira.
"Zvakanakai ini ndinoitwa Sajeni
Soko.Mudzimai wenyu ndange ndambomutaurira
zvangu," akadaro mupurisa uya ndokubuditsa
chinyoreso chake ave kunyora nyora.
Monica akazogara pasi akagumbatira dumbu
sezvinonzi rairwadza. Makamboita karunyararo
mupurisa uya ainge ari mubishi rekunyora
mapepa ainge akazara patafura.
"Mapedza here Sgt?" akadaro mupurisa
wechikadzi uya ainge achinyora kutsime.
"Ndava kutopedza," vakadaro vachivhomora
rimwe bepa raiva pakati pemabhuku aiva
patafura iyi.Vakaenderera mberi voti,"Ava
vanonzi Constable Jena.Ndinofunga mambovaona,
tange tiri tose," vakadaro vakatarisa
Promise.Iyewo Promise akangogutsurira musoro
~ 137 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

pasina chaataura.
Mushure mekunge vapedza kunyora
vakatambidza Jena bepa ravainge vanyora nyora
ndokuti, "Enda navo kuroom 8. I think ndiko kuri
free. Record everything zvavachataura and let
me know kana wapedza."
"Ok sir," akadaro Jena ndokutorana naMonica
vave kubuda.Vakandopinda mune imwe hofsi
ndokubva vagara pasi.Monica akabvunzwa
zvaaiziva maringe nenyaya iyi
ndokutsanangura.Zvose zvaaitaura zvainge zviri
kunyorwa pasi.
"Saka hapana mumwe munhu wamakaona
here,kana kusangana naye muchienda
kutsime?"akadaro Jena.
"Kwete hapana," akapindura Monica achibata
musana wake.Jena akatsikitsira ndokumbonyora
nyora,akazosimudza musoro ndokutambidza
Monica bepa raainge achinyora
ndokuti,"Verengai, then mosaina pakanzi signed
apo," akapedzisira nekutambidza Monica
chinyoreso.
Monica akambotora kanguva akatsikitsira
akatarisa pabepa iri. Mushure ndokuzorigadzika
patafura ava kunyora zita rake.Akadzorera bepa
riya kunaJena uyo akabva ariisa pakati pemamwe
mapepa aaiva nawo.Jena akatora kapepa kaye
kaainge abva nako kurwizi
ndokukukabhedhenura.Akatora chinguva achiita
semunhu ari kutadza kuverenga zvaiinge
zvakanyorwa ipapo ndokuzobva azoti,"Ko
mungaitawo ruzivo memunhu anonzi mai
Samson?"
"Um," akamboita semhunhu ari kufunga

~ 138 ~
Abraham Makamera

ndokuzoti,"Ndevekupi mai Samson vamuri


kundibvunza nhai officer? akadaro Monica.
"Imi vamunoziva ndevekupi?
Munganditsanangurirawo here maererano
nezvamai Samson vamunoziva?" akadaro Jena
asimudza chinyoreso zvino.
"Ini ndikati pane vandinoziva
ndingakunyeperai,asi kuti pane vandakambonzwa
kuti vaiva nechikwereti chavatete vangu."
"Vakazochibhadhara here chikwereti
chacho?"akabvunza Jena akanyatsotarisa Monica
mumaziso chaimo.
"Havana nekuti vanonzi vakazoshaya vasati
vachibhadhara."
"Vakashaya?" akabvunza Jena achishamisika.
"Hongu.Asi vaiva nechikwereti chenyu here?
Ndadaro nekuti ndakanzwa kuti vaiva nembiri
yekusabhadhara zvikwereti?"
Mubvunzo uyu haana kumufarira nekuti
wakamunetsa kupindura. Akazongoita seainge
asina kunzwa zvabvunzwa ndokuenderera mberi
oti, "Mai Muchaneta vamati nditete venyu
vanogara kupi?" akadaro Jena.
"Variko kumba. Hamuna kuvaona
here?"akadaro Monica.
"Zita ravo rizere vanonzi ani?"
"Zita ini handirizive. Mirai ndishevedze baba
vaTavonga ndivo vanoriziva," akadaro Monica
achisimuka kubva paainge akagara.
"Garai zvenyu pasi. Ndichavabvunzawo
zvandingada kuziva kubva kwavari," akadaro
ndokutora rimwe bepa rainge hamvuropu.Akaisa
chipepa chiya chaainge ambonetseka kuverenga
nguva pfupi yainge yadarika akatsikitsira pasi

~ 139 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

ndokuti,"Ko hushamwari hwenyu nemunhu anonzi


Joyce Gaza hwakamira sei?"
"Joyce ani?" akabvunza Monica
achishamisika.Hazvaitadza kumushamisa nekuti
haana kubvira amboita shamwari yaiva nezita
rekuti Joyce.
"Joyce Gaza" akadzokorora Jena neinzwi
rakanyorovera.
"Handina shamwari yakadaro ini Officer,"
akapindura Monica achishungurudzika kuti
angava ani aiva nezita rekuti Joyce Gaza.
Uyuwo Jena ainge ari mushishi
rekungonyora.Apedza akasimudza chitupa chaiva
patafura ndokuchitambidza Monica.Monica
akanyatsoringa pachitupa ichi asi chiso chaainge
aona pachitupa ichi hachina kumuitira
chitsva.Change chava kunyanyomunetsa
ndechekuti ndekupi kwaanochizivira.
"Uri kuratidza sewamuziva munhu uyu.
Anogara kupi?" akadaro Jena achinyemwerera.
"Hongu chiso ichi ndakambochiona officer asi
kuti kupi manje ndipo pandava kukoshiwa"
Akadaro achizama kufunga zvakati dzamei.
Jena akatora chitupa chiya ndokumboruma
ruma chinyoreso achiita semunhu ari kufunga
zvekunyora.Monica achiona Jena panguva iyi
akambofunga kuti mupurisa uyu ari kudzidzira
basa iri.Chaasina kuziva ndechekuti Jena yaiva
nyanzvi munezvekuferefeta nyaya dzakaita
seyaainge akatarisana nayo.
"Tingachienda zvedu," akadaro Jena achisimuka
ndokusimudza mapepa ayo ainge aiswa mune
rimwe bepa raiita sezihamvuropu zihombe.
"Zvatokwana here Officer?" akadaro Monica

~ 140 ~
Abraham Makamera

achiratidza kuti ainge achine zvimwe zvekutaura.


"Hongu. Muchine zvamunoda kutaura here
maringe nenyaya iyi?" akadaro Jena achidzokera
pachigaro chake.
Vainyatsoziva Jena vaigona kupupura kuti iyi
ndiyo imwe yenzira yaaishandisa kuwana
humbowo panyaya dzaanenge achifeya.Aiita
seasina basa nekunzwa zvakawanda maringe
nezvenyaya yaanenge achifeya izvo zvaizopa kuti
munhu ari kupomerwa mhosva anzwe kuda
kumuudza zvaanofungawo maererano nenyaya
yaanenge akatarisana nayo.
"Hongu Officer," akadaro achishereketa achiita
semunhu ainge ava kurwadziwa nekugara.
"Zvakanakai.Munganditsanangurira here?"
akatora bepa iro raainyora pasi zvose
zvakataurwa naMonica.
Monica akazopedzisira nekukumbira Jena kuti
aratidze Promise chitupa chaainge amboona
nguva shomanana yainge yapfuura.
"Zvakanakai amai, asi murume wenyu
ndinodavira atochiona chitupa ichi musati
machiona," akadaro achinyemwerera.
Monica akashaya neshumo yazvo nekuti ainge
asina kumboona Promise achiratidzwa chitupa
ichi,uye painge pasina mumwe munhu ainge
ambopinda muhofsi umu zvekuti angafungira kuti
pane angadaro avigira Jena chitupa
ichi.Vakakasimuka ndokubuda muhofsi umu
ndokuenda kuhofsi yavainge vasiya Sajeni Soko
naPromise.Vakawana vaviri vasimo ivo ndokugara
pasi vachikurukura zvakasiyana siyana.Mushure
mechinguva Promise akadzoka akadungamidza
naSajeni Soko.Akasvikotarisa mudzimai wake

~ 141 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

ndokuona chiso chake chisina mufaro.Jena


akasimuka pabhenji paaiva akagara
ndokundogara pachituro chaiva padivi paSajeni
Soko.Akavhura bepa riya ndokubudisa mapepa
aainge achinyora ndokumatambidza Sajeni
Soko.Sajeni Soko vakaverenga rekutanga nerepiri
ndokubva vamadzorera Jena vachinyemwerera.
"I think thats all zvatanga tichimboda for
now.Kana paine zvimwe zvatichada
tinokufonerai," vakadaro Sajeni Soko.
"Zvakanakai officer," akadaro Promise
achipuruzira musoro. "Asi ndaikumbirwo kuti
muzame nepose pamunogona napo kuti munhu
akaita izvi abude pachena," akadaro achisimuka
kubva paainge akagara.
"Zvakanakai baba. Imi kana paine zvimwe
zvamazowanawo maringe nenyaya iyi munotibata
panumber dzandakupai.Tinotenda
nezvamatipawo," vakadaro Sajeni Soko vakatarisa
Promise uyo ainge angomirira mudzimai wake
kuti asimuke.
Monica akasimuka ndokunhonga chichari
chaainge akamonera icho chainge chadonera
pasi.
"Mirai. Munogona kundosiiwa padyo nekumba
kwenyu nemupurisa uyu," akadaro Jena
achishevedzera kunaPromise naMonica avo vange
vave kutobuda chivanze chepakamba apa.
Vakazopinda mumotokari ndokuzondosarira
kuchigayo.Vakafamba vave kuenda
kumba.Munzira vaingobvunza nekupindurana
zvavainge vachibvunzwa kumapurisa.
"Ko nhai baba vaTavonga, chii chiri kunetsa?"
akadaro Monica aona chiso chemurume wake

~ 142 ~
Abraham Makamera

chiratidza kushungurudzika
zvakanyanya.Zvechokwadi Promise ainge ave
kuita seechapenga nekufunga.Ndiko kwakanzi
nevakuru kuenda parumananzombe.Ainge ava
kuona sekuti rufu ndirwo rwega rwaigona
kumubvisa panyaya dzaainge akatarisana nadzo.
"Hapana," akapindura ndokubva atanga
kuchema.Apa vainge vave kuswedera padyo
nemusha wavo.
"Mai Tavonga,ndiudze chokwadi. Hausiwe here
wakapara mhosva iyi?" akadaro Promise misodzi
ichidzika nematama.
Monica akatarisa murume wake ndokuti,"Nhai
Promise unondifungireyi zvinhu zvakashata
kudaro? Handina moyo wakadaro ini," akadaro
misodzi yajenga mumaziso.
"Ndangobvunzawo ini. Chiregera
kuchema,tarisa tava kusvika pamba," akadaro
Promise achinyaradza Monica.Vakapinda
muchivanze zuva richangonyura munamai
varo.Mai Muchaneta vachiona Monica adzoka
vakanzwa kurwadziwa zvekuti vakasimuka kubva
pavainge vakagara vachiita semunhu ari kutiza
nyoka.Vakaenda kudare uko kwainge kune mhuri
yaVaZindoga pamwe chete nemhuri
yemushakabvu. Vakasvikosimudza VaZindoga
zvokuti vanhu vose vakazvishaira shumo yazvo.
"Huyai muone mwana wenyu.Mukati haana
kudyiswa iyeye?" vakadaro vachidhonza
VaZindoga ruoko.
"Zvaita seiko nhai Masibanda? Chimbomira
timbopedzisa nyaya iri apa," vakadaro VaZindoga.
"Haangateveri mhondi kumapurisa
mhani.Tarisai atadza kuvharirwa nekuda

~ 143 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

kwake.Handisati ndamboona zvakadai ini,"


vakapedzisira nekuridza tsamwa vachiregedza
ruko rwaVaZindoga.Monica zvaakasvika
pachivanze akafamba ndokundopinda muimba
yekubikira umo maakandogara padyo
navamwene vake.
Muimba umu maingonzwikwa vanhu vaitaura
nekazeve zeve,vamwe ndivo vaingonongedza
Monica.Zvechokwadi ainge ave mabvangubvarara
matama ehwashu.

~ 144 ~
Abraham Makamera

TSAURO 18

M
udzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye.
Vanhu vakaita mazuva maviri vakaungana
pamusha paVaZindoga vakamirira kuuya
kwemutumbi.Waingoona zviri zvitutu zvitutu zvevanhu
vari pamusha apa, nyaya ichingova imwe cheteyo
yefro yainge yaita mukadzi uyu.VaZindoga ndivowo
vainge vakagara nemhuri yavo pasi pemumango
waiva nechekuchamhembe kwemusha wavo.Chiso
chavo chainge chichiratidza kushungurudzika. Vaiti
vakatarisa mwanakomana wavo Promise, waiona
harahwa ichidzungudza musoro.Vakasimudza chituro
chavainge vakagarira ndokuteverera mumvuri uyo
wainge wave kupesana nezuva. Vakagara
vakazendama nehunde nemuti uyu.Zvechokwadi
murume mukuru ainge abaiwa panyamanhete.
Vakatora kanguva vakabata shaya misodzi
ndokutanga kuyerera ichidzika nematama ayo ainge
adzokera mukati.
"Musha wangu wapindwa neiko chaizvo?
Zvichibva newe iwe," vakadaro vachibaya
Promise netsvimbo yavo. Promise akangoramba
akatsikitsira, ndizvo zvimwe nevanin'ina vababa
vake. Chainyanya kunetsa varume ava ifro
yainge yaita mukadzi uyu. Kuti vati ainge
azviuraya zvakavaremera.
"Nhai Tete zvakanyatsofamba sei kumba
kwenyu uko?" akadaro munin'ina waVaZindoga
achibvunza hanzvadzi yake.
"Saka muri kuti ndini ndakauraya here?"
vakadaro mai Muchaneta vachisimudza musoro.
~ 145 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Ndizvo zvabvunzwa here nhai tete?" akadaro


Promise asingazive kuti ainge azvidenhera nyuchi
dzegonera.
"Newewo utori nepfungwa sedzababa vako
ava? Inga munondishurira chete imi. Munoti
nanga nanga neni tsvee kubvunza wenyu
muroora agere mumba umo. Sei ariye akazoona
mushakabvu? Imi mukoma ndakakutsanangurirai
zvose wani. Ini ndakazvitaura kudhara hezvo
tapinzirwa ngozi mumusha nenharo dzenyu..."
"Imi amai,sei murikuti ndimai Tavonga vakaita
izvi?"
"Yowe zvangu.Saka ini ndini ndatova muroika
mumusha muno?" Vakadaro vachisimuka kubva
pavainge vakagara apa vachiita kuridza mhere
chaiyo zvekuti vanhu vose vaiva pamusha apa
vakakanda maziso uko kwaiva nemhuri
yaVaZindoga."Nhai Shumba, ndizvo zvamakaudza
vani'ina venyu here izvi?" vakabvunza
vachimonera chichari muchiuno
mavo."Ndipindurei Nyamuzihwa.Ndinoreva imi,"
vakadaro vachitendeka VaZindoga.
"Gara pasi," vakadaro VaZindoga vachitaura
neizwi rakadzikamira.
"Ndogarireizve pasi? Ndoda kutoenda kumba
kwangu ini?Asi muchazomafunga mashoko angu
andakambotaura, kuti munhu uya inyoka.
Tinopera tese takasvinura sematemba mumusha
muno,ndinokuudzai," vakabva vatanga kufamba
vave kuenda muimba yekubikira.Varume
vakasara vakangotarisana pasina aitaura
nemumwe.
Mai Muchaneta vakapinda muimba yekubikira
ndokundogwadama vave kuzevezerana namai

~ 146 ~
Abraham Makamera

Norest.Mushure vakabuda vakadungamidzana


naMonica.Vakadzokera paiva naVaZindoga
ndokusvikogara pasi.
"Ndati ndisiye ndazvipedza. Hazvizivikanwe
zvimwe ndini ndiri kutevera ipapa," vakadaro asi
hapana akavapindura.NaMonicawo akatoshaya
kuti chii chainge chiri kunyatsoitika pamusha
apa.Akangoramba akatsikitsira.
"Iwe simudza musoro apo!Unoda kuzviita
munhu kwaye panhamo pano haunyare wakaita
sei? Taurira vanababa vako ava..." Havana
kuzopedzisa kutaura zvavaida kutaura vabatwa
muromo naVaZindoga avo vainge vave kutya
kunyadziswa pakazara vanhu.
"Iwe mai Muchaneta haunyare wakaita sei?
Hausi kana kumboona kuti vanhu vose ava vave
kutoshamisika nezvauri kuita?"
"Ndingadya huroyi nekunyara here nhai
Shumba? Handiti raini rose iri rinofuma rave
kundiita mhondi?Imi tete vake mamboona kana
hama yemuroora wenyu here pano? Fungai
nezvazvo Shumba," vakadaro vakatarisa
VaZindoga avo vainge vakangogara vakazvitsigira
netsvimbo yavo.
"Zvabva zvaita mutumbi wasvika. Zvino
vakazobvuma here kuti achengetwe kuno?"
vakadaro mai Muchaneta mushure mekunge
vaona motikari nhatu dzainge
dzakadungamidzana dzakananga paVaZindoga.
"Handiti takaroodzwa mutumbi here vatete?"
akadaro muni'ina waVaZindoga.
"Imi ndipo pamunoda kuramba makachengeta
mhondi mumusha."
"Amai kani,zvapera!" akadaro muzukuru

~ 147 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

waVaZindoga achibata mai Muchaneta muromo.


Monica zvaakanzwa mashoko amai Muchaneta
akabva atanga kuchema.Waingoona misodzi
ichidonhera pasi sezvo ainge akatsikitsira.
"Pamusoroi," Monica akaombera ndokubva
asimuka kubva paainge akagara.Akati nhanho
yekutanga kanhu,paakati yepiri akabva adonha
pasi sedanda rakawora.Promise akasimuka
achimhanyira paaiva ndokusvikozama
kumumutsa,asi akatadza
kumugadzika.Akasheedza mai vake vaiva
mumba.Vakasimudza Monica ndokumuisa
muimba make.Hapana chaanga
achakwanisa.Kufema chaiko zvainge
zvisingachatooneke.Chainge changosara
kunzwika kurova kwehana iyo yairovera kure
kure.Vakambozama kumudira mvura asi zvose
zvakashaya basa.Akatakurwa ndokundeswa
kuchipatara uko kwaazondoti pembenu mushure
mechinguva asvika pachipatara apa.
Kumbawo kwaVaZindoga, mai Muchaneta
vakasara vadzikama zvino.Zvainge zvoti nekutya
nezvainge zvaitika.
"Unoona hunhu hwako mukunda?
Haumbozvione kuti mwana wevaridzi
akazvitakura.Unoda tiite sei apa tichine imwe isati
yapera iwe woda kutimutsira imwe?" vakadaro
vaChigubhu avo vainge vapirwa nyaya yaMonica
sezvo yainge yaitika vaenda kundotora mutumbi
wemushakabvu.
"Hapana zvandambomuita ini mukoma,"
vakadaro neizwi rinenge remwenga.
Vakazosimuka ndokusiya hanzvadzi dzavo dzave
kumbogara dare nemhuri yemushakabvu.

~ 148 ~
Abraham Makamera

Paiitwa izvi chimwe chikwata chevarume


chainge chiri mubishi rekuchera guva sezvo hama
dzemuf dzainge dzati mutumbi uradzikwe musi
uyu.Kuvarume vaichera guva kwaiva nemumwe
murume wainge asina kumboonekwa neruzhinji
rwevanhu vaivapo.Murume uya ainge akangogara
achingobvunza mafro emushakabvu.Vamwe
ndivo vaimupindura zvavaifungawo vamwe
vachimupindura zvavainge vanzwawo
nevamwe.Akazobuditsa kapepa kainge
kakaputirwa bute ndokutswinya zvishoma shoma
ave kuisa mumhino.
"Ko munoputawo bute? Ndange ndichitoshaya
kuti ndiani angandifembedzesawo rangu rapera
pava nechinguva," akadaro mumwe murume aiva
mugomba akabata foshoro.
"Richimborimo here?Ndekwe yangu
yakarasikawo nezuro ndingadai ndakugugudzira,"
akapindura achiputira zvibute zvainge zvasara.
"Mira ndingotswinyawo zvishoma ndanzwa,"
akabuda mugomba murume uya ndokutambidza
foshoro mumwe mukomana wechidiki ainge
akamira panze.Akaenda ndokundogara paiva
nemurume uya aiputa bute. Akapihwa bepa raiva
nebute ndokutora bute achitsokodzera
mumhinho.
"Zvawava kupedzazve,unoti ndinozoputei?"
akadaro murume uya achitambanudza ruoko kuti
adzorerwe chipepa chaiva nebute rake.
"Hauchionezve ndiyo inonzi fodya
iyi.Wakasvitswa nani kumukadzi uyu?" akadaro
murume ainge akumbira fodya uya.
"Mukadzi upizve nhai sahwira?"

~ 149 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Kwawakapihwa fodya iyi.Ndiko


kwandinopihwawo yangu," akadaro achibva
asimuka kuti adzokere mugomba maainge ari.
"Watozorora here? Rega uyo achangopinda
amboshanda."
"Ndikagara simba rinozopera sahwira,rega
ndishande. Ndatowana simba so." Akafamba
ndokusvikojambira mugomba.Akatorera
mukomana waainge ambopa foshoro ndokutanga
kubuditsa ivhu kubva mugomba.Guva rakazoti
rapera akadzokera kundokumbirazve fodya
ndokubva apihwa nechipepa chacho.
"Chipedzisa zvako ndozotopfuura ndichipihwa
imwe ndave kuenda," akadaro achimutambidza
chipepa chaiva nebute.
"Hauchionezve." Akaombera ndokutambira
chipepa chiya,akaenderera mberi oti, “Gara zviya
takamboonana kupi?"
"Ndinofunga ndeipo pano, marimwezuro
ndange ndiri pano," akadaro murume uya.
"Zvinogona kudaro. Ini ndinoitwa Mujezi,"
akavhura chipepa chiya ndokudururira fodya iya
pachanza chake chekuruboshwe.
" Ini ndinoitwa Soko," akadaro achishereketa.
"Zvakanaka Mukanya. Ndanzwa muchiti
munoda kupfuura muchipihwa imwe fodya,kuti
vanenge vadzokera here? Varipano ndavaona
masikati ano"
"Unorevesa here?" akabvunza achiita semunhu
ari kushamisika.
"Hongu. Patauya kuno vange vakagara
mumba.Ndivo vatombondipa fodya masikati.Dai
zvisizvo ndingadai ndatofa," akadaro Mujezi
achiseka.

~ 150 ~
Abraham Makamera

Soko akanyemwerera ndokuti, "Asi ndimi muri


two munoputa bute chete here pano?"
"Unogoti two seizve iwe? Tiri three newe,"
akataura mashoko aya achiguma guma fodya iyo
yainge yasarira muchanza chake.
"Iwewe futi.Saka ndichatopihwa yavainayo
ndozodzoka ndichitora mangwana kumba kwavo,"
akadaro Soko.
"Kana wapihwa unozondisiirawo twushoma.
Mbuya yacho inonyepa mhani," akadaro Mujezi
achirova zvimhutu izvo zvainge
zvamushungurudza munzeve.
"Inonyepeizve?" akabvunza achitaurira pasi.
"Zvanzi ndiwe wega wandinopa fodya, vamwe
havaifarire zvanzi iri very strong."
Soko akanyemwerera akatsikitsira
ndokuzosimudza musoro oti, "Zvechokwadi iri
very strong. Saka ndikapihwa ndokutsunyirawo
zvishoma."
"Zvakanaka Mukanya."Vakasimuka ndokuenda
kwainge kune vamwe vavaiva navo avo vainge
vaungana pasi pemushuma.
Pasina chinguva,mutumbi wakabva wasvika
kubwiro ndokuchengetedzwa.Vanhu
vakazosimuka vave kunanga kumba
kwaVaZindoga ndokundodya.Vapedza vamwe
vakatanga kuita rumwe rumwe vachidzokera
kumana kwavo.
"Ko wava kuregedza ichienda mbuya iya unoti
tinozowanepizve fodya nhai Makwiramiti?"
akadaro Mujezi aona mai vaChipo vatova
chinhambwe kubva pamusha apa.
"Arikupizve?" akabvunza achisimuka kubva
paainge akagara.Mujezi haana kumupindura

~ 151 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

chaakangoita kunongedza chete.


Soko akapinda munzira ndokufambisa achiitira
kubata mai vaChipo.Vakakwazisana Soko
ndokuzotaura zvaainge afambira.Akapihwa fodya
ndokudzokera kwaiva naMujezi akasvikomupawo
nepakati, Mujezi ndokupembera.Akamboisa
zvishoma mumhinho ndokuti,"Mai vanogadzira
fodya mhani ava."
Soko akangogutsurira musoro
achinyemwerera.Akasimuka ndokuonekana
naMujezi ave kuenda. Munzira akaenda achifara
nezvaainge awana maringe nefro yainge yaita
mushakabvu. Ko aitadza sei kufara iyo nyaya
yaaiferefeta yainge yave nepekutangaraizvo
zvinova zvisina kunge zvazivikanwa kana
kufungirwa naMujezi. Mujeziwo akazongosara ave
kunetseka kuti murume waainge aswera naye
zuva iri aimbogara kupi. Akabvunzawo vamwe
vainge vambomuona aina Soko, avo
vakamutsanangurira kuti Soko aiva mutikitivha
aishandira pakamba yepaChikuku. Akangozviudza
nechemumoyo kuti,"Ndagara ndazviona kuti
moyo washe here bveni kuchengeta nyimo."

~ 152 ~
Abraham Makamera

TSAURO 19

K
o ndiani aiziva kuti mapurisa epaChikuku
aizosvika mudunhu raishe Matondwe? Ko kuzoti
kusvika pamusha wemwana wavaBvudzijena?
Hapana aifungira kuti zvose izvi zvichaitika musi uyu.
Pakapera masvondo maviri mushure mekunge
kwaitika nhamo kumba
kwaVaZindoga.Mwanakomana wavo, Promise
ainge adzokera kuHarare uko
kwaaishandira.Varoora vavo vaviri vainge varipo
pamusha wavo vachingombeya mbeya
nemusha.Dzainge dzava nguva dzemasikati. Zuva
raipota richimbobuda apo neapo sezvo kunze
kwaiva nemakore.Vazukuru vaVaZindoga rainge
ringori jwiriri jwiriri panze vachitamba chihwande
hwande. Ivo VaZindoga, mudzimai wavo pamwe
chete namai Muchaneta vainge vagere muimba
yekubikira vachikurukura.
"Sekuru pane mapurisa ari kuuya kuno,"
chakadaro chimuzukuru chaVaZindoga chakamira
pamusiwo.
"Ungabva waita sezvinonzi hauzive mapurisa
seiko nhai Tinevimbo?"vakadaro VaZindoga,
ndokuenderera mberi voti, “Chienda undotamba
nevamwe panze apo."
Tinevimbo chakabva pamusiwo ndokuenda
kuseri kwaiva nevamwe vezera rake. Pasina
chinguva mapurisa aya ainge ave muchivanze
chaVaZindoga. Vakahukurwa neimbwa dzaiva
pamusha apa ndokuramba vakamira pakati
pechivanze.
~ 153 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Pfutseke Machena! Rara pasi uko!" vakadaro


vaZindoga vachibuda muimba yekubikira iyi.
"Svikai hadzirumi idzi," vakadaro vachifamba
kundosangana nemapurisa aya.
Vakakwazisana ndokumboita kanguva
vakamira.
"Ko ndimi mune mota yakamira apo here?"
vakabvunza VaZindoga vaona motokari yaiva
reruvarwa rwechipurisa yakamira kunze
kwechivanze chavo.
"Hongu tisu," akapindura mumwe mupurisa
wechikadzi waiva naJena naSoko.
"Ko ava ndimi munavo here?" vakabvunza
VaZindoga vaona mai vemuroora wavo mudiki
pamwe chete navatete vavo avo vainge vakaiswa
njema vakabatanidzwa nemumwe mukadzi.
"Hongu tisu tinavo. Tiri kuenderera mberi
nekuferefeta maringe nemudzimai wekuwanikwa
akafra mutsime uya," akadaro Jena uyo
akakurumidza kugamwa naVaZindoga vainge
vashamisika kuti amai vemuroora wavo navatete
vavo vainge vapinda papi munyaya iyi."
"Zvino ava mati vaitawo sei panyaya iyi?"
vakadaro vaZindoga vakabata chirebvu chavo
icho chainge chine zvindebvu zvainge zvachena.
"Pakuferefeta kwataita so far, takaona kuti
vakadzi ava vane chekuita nekufa kwemuroora
wenyu," akadaro Soko uyo ainge akabata
mabhuku muruoko rwake rwerudyi.Akaenderera
mberi oti, "Tiri kutsvagawo vanonzi mai
Muchaneta."
VaZindoga vakaramba vakatarisa Soko, chiso
chavo chichiratidza kushungurudzika.
"Mungatibatsirawo here baba?" akabvunza

~ 154 ~
Abraham Makamera

Soko angoona VaZindoga vangoramba


vakakanyarara.
"Kwakanaka here vanangu?" vakadaro neizwi
raitatidza kushungurudzika zvakanyanya.
"Hongu kwakanaka," akapindura mumwe
mupurisa wechikadzi aiva naSoko naJena.
"Varimo mumba umo," vakadaro vachitendeka
muimba yekubikira.
Jena nemumwe mupurisa wechikadzi uya
vakakanda nhanho dzinenge pfumbamwe
ndokupinda muimba yekubikira. Vakakwazisana
namai Norest pamwechete namai Muchaneta.
Mushure mekuzivana vakazovatsanangurira
zvavainge vafambira.Mai Muchaneta vachinzwa
nyaya iyi vakamborohwa nehana
ndokumboramba vakatsikitsira vachiita semunhu
ari kunamata.
"Kubva pari zvino mava musungwa
sekutsanangura kwandamboita," akadaro
mupurisa wechikadzi uya achivhomora njema idzo
dzaiva mukachikwama ako kainge kakapfekerwa
mubhande rainge rakasunga mudhebhe
wake. Akadziisa mumaoko amai Muchaneta avo
vainge vave kungodonedza misodzi.
"Tingachisvika zvedu kukamba," akadaro
mupurisa uya.
Mai Muchaneta vakasimuka chinyararire
ndokukanda nhanho mbiri vachitevera mumashue
maJena. Vakamira ndokucheukira kumuroora
wavo uyo ainge akangotarisa zvose zvainge zviri
kuitika.
"Handiti munoona zvandakakuudzai musi uya.
Muroora wenyu akandondinyepera kumapurisa
uko. Ndiri kuenda asi..."

~ 155 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Imi amai, fambai tiende," akadaro mupurisa


wechikadzi uya ainge ari mumashure mamai
Muchaneta. Vakabuda muimba yekubikira
ndokundopinda mumotokari iyo yainge yakamira
kunze kwechivanze. Soko naVaZindoga pamwe
chete nevasungwa vechikadzi vaye vainge vatova
kumota nechekare.
"Mazvita baba. Tichakuzivisai zvimwe maringe
nenyaya iyi," akadaro Soko achionekana
naVaZindoga avo vakambosara vakamira
kwekanguva vachitarisa motokari yainge yatakura
hanzvadzi yavo. Motokokari yakadzokera
mumugwagwa mukuru ndokurohwa yakananga
kuKudadisa High School sezvo kwainge kusina
mugwagwa waisvika pamusha pamai
Mavis.Motokari yakamiswa kunze kwemugwagwa.
Soko akatorana nemupurisa wechikadzi uya
ndokupinda munzira vave kunanga kudunhu
raishe Matondwe.Vakasiya Jena nemumwe
mupurisa waityaira motokari vakachengeta
vasungwa.
Vakabuda mugura vatarisana nemisha zvino.
Sevanhu vainge vasingazivi pavainge vachienda
vakamborasika vachienda pane mumwe musha
waiva nechekumucheto kwedunhu iri.
"Mai Mavis ndivo avo vakatakura mugomo
varikukwidza uko," akadaro mumwe mwana
wechidiki wavainge vawana pamusha apa.
"Thank you," akadaro Soko ave kutofamba
kubuda muchivanze ichi. Uya mupurisa
wechikadzi akatendendeuka ndokutevera
Soko.Vaviri ava vakafambisa ndokundosvikira
namai Mavis muchivanze chavo.
"Tisvikewo pano," akadaro Soko achipinda

~ 156 ~
Abraham Makamera

muchivanze.
Mai Mavis vacheuka ndokuona mapurisa
akamira akavatarisa.Havana kupindura ndokutura
mugomo vave kudurura mvura muchirongo
chaiva muberere reimba yekubikira.
"Ko kwakanaka here?" vakadaro vachifamba
kundokwazisana nemapurisa aya.
"Hongu tavinga imi in connection nesuspected
murder case yatiri kuferefeta," akatsanangura
Soko akatarisa mai Mavis avo vainge
vakangomira vachiteerera zvaitaurwa.
"Zvino mati ini ndinokubatsiraiwo neiko
zvangu? Ko akauraiwa wacho ndiani? Akaurairwa
kupiko munhu wacho? Uye Riini?" vakaradanura
mibvunzo yose iyi vasiri kupa mapurisa aya nguva
yekupindura.
"Zvino zvamava kubvunza mibvunzo hobho
hobho munoda tikupindurei sei?" akabvunza
mupurisa uya wechikadzi.
"Ndati ndingakubatsirai neiko pakuferefeta
nyaya yenyu yamataura nezvayo nhai
maofficers?"
"Amai zvamunoona tauya pano kudai, muri
umwe wevanhu vanofungidzirwa kuti makauraya
mushakabvu watiri kutaura nezvake." akadaro
Mukadzi uya achikanda nhanho kuenda paiva
namai Mavis.
"Munondishurira here imi?Ini kuuraya?Ani
wandakauraya? Aya ndiwo anonzi mashura
chaiwo," vakadaro mai Mavis vachikwidza inzwi.
"Tiri kukusungai nekupomerwa mhosva
yekuuraya Zadzisai Sunganai musi wa21 June iyo
yamuri kunzi makapara pamwechete naEunice
Tsau,Tafadzwa Zindoga,Joyce Gaza uye Promise

~ 157 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

Zindoga," akadaro Soko. Paaitaura mashoko aya


ainge achitambidza mupurisa wechikadzi uya
njema dzekuti aise mumaoko amai Mavis.
"Promise Zindoga?" Vakabvunza mai Mavis
vachiita sevainge vasingazive munhu uyu.
"Asi hamuzive here munhu uyu?" akabvunza
Soko aona mai Mavis vaita sevainge vashamiswa
nezita iri.
"Kwete, kumuziva ndinomuziva,asi..."
vakambomira kutaura vachiiswa njema
mumaoko. Vakazosimudzira voti,"Imi
matozvibvumawo kuti ndini ndakauraya here?"
Soko akaseka ndokuti, “Ndizvo zvamanga
muchida kutaura here izvi nhai mai imi?"
"Zvino apa mava kuenda neni kupi?"
vakabvunza mai Mavis vachiita sevainge vasina
kunzwa mubvunzo wainge wabvunzwa naSoko.
"Tichibva pano tiri kunanga kuPolice Station.
Tiri kunanga nekuHigh School uko kwatasiya
motikari yedu," akatsanangura mupurisa
wechikadzi uya aiva naSoko.
"Ndine muzukuru wangu aenda kuchikoro.
Zvino ndokumbirawo ndidarike nekwaamai vangu
ndichivazivisa.Ndodazve juzi kunogona
kuzotonhora," vakadaro ndokuperekedzwa
nemupurisa wechikadzi uya muimba yavo
yekurara.Vakabudamo vakabata juzi iro rainge
rakamonerwa maoko aro kuvhara njema dzainge
dzakaiswa mumaoko avo.Vakabva pamusha apa
ndivo hevo vanananga kwaVaMakunge.Vave
kundosvika pamusha waVaMakunge
vakambokumbira kubviswa njema mumaoko
kuitira kuti amai vavo vasaone kuti vaiva
musungwa asi hazvina kubudirira.Vakapinda

~ 158 ~
Abraham Makamera

mumusha maVaMakunge umo mainge


makanyararwa muchiita semusina vanhu.Ko
vaibvepi vanhu vacho izvo zvizukuru zvavaigara
nazvo zvaiswera kuchikoro? Chembere yainge
igere zvayo kuseri kwehozi yaiva pamusha apa
yakarindira tsoko idzo dzaiuya kuzodya chibage
pamunda wavo.
"Mhaai! Mhaai!" vakashevedza mai Mavis
mushure mekunge vashaya mai vavo.
"Ndianiko?" Rakanzwikwa izwi raVaMakunge
richibva nechekuseri kwehozi iya.
"Ndini! Huyai pano" Vakadaro mai Mavis
vakamira pakati pechivanze pamwe chete
nemapurisa ainge auya kuzovatora kumba
kwavo.VaMakunge vakasimuka kubva pavainge
vagere ndokuuya kwaiva nemwana wavo.
"Zvanziizve Ratidzai?" vakadaro vachishamisika
kuona mwana wavo akamira nemapurisa
muchivanze chavo.
"Hapana amai. Ndati ndikuzivisei kuti
ndichamboenda kumapurisa, ndinodzoka
zvangu.Mutarise muzukuru wenyu kana adzoka
kumba uko," vakadaro ndokutendeuka vave
kutungamirira mapurisa aya nzira yainanga
kuKudadisa High School.
"Ratidza-ai!Ko zvawava kuenda usina
kunyatsotaura zvaitika nhaizve iwe,"
vakashevedzera asi hapana akavapindura.Mai
Mavis vainge vasingachadi kubvunzwa
zvakawanda wanda maringe nenyaya yavainge
vasungirwa.
"Zvakandiomera ini. Dai mwari vaita nditevere
murume wangu. Zvepano zvandiremera ini. Zvino
ndinoziva asungirwei? Dai

~ 159 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

anyatsonditsanangurirazve ndazivawo," yakadaro


chembere ichitaura yoga yakamira muchivanze
chayo.
Mai Mavis nemapurisa aya zvavakabva
pamusha paVaMakunge vakaenda kuchikoro uko
vakasvikondopfuurira kwaChikuku kukamba
yemapurisa. Vachindosvika vakabvunzwa
zvakawanda maererano nenyaya yavainge
vasungirwa.Vakamboda kuti pamunhondo
pamusasa vachizama kuramba nyaya iyi asi mai
Mavis ndivo vakazongoti,"Tinosvikepi vasikana?
Maofficers takatadza tiregerereiwo."

~ 160 ~
Abraham Makamera

TSAURO 20

P
akapera mazuva maviri mushure mekunge
vanamai Muchaneta vatorwa
nemapurisa.VaZindoga vainge vakagara muimba
yekubikira vachidziya moto sezvo kunze kwainge
kwafuma kuchitonhora musi uyu.Zvimvura
zvaisakasira zvakasangana nemhute iyo yaimhanya
yakananga kumavirazuva.Vadzimai vavo vainge
vakagarawo mumba imomo.Zviso zvevaviri ava
zvainge zvizere nekushushikana kwakanyanya.Painge
pasina aitaura nemumwe.Varoora vavo ndivo
vaingomira mira.Mumwe aibika sadza remasikati ari
muimba imwe chetewo yaiva naVaZindoga
nemudzimai wavo.Uyuwo Monica kana kuti mai
Tavonga vainge vari kuchitara uko vaisuka ndiro
dzainge dzashandiswa mangwanani emusi uyu.
"Ko madii matevera vatete mundonzwa kuti
zvakamira sei? Hamuoni vana vari kushushikana
here?" vakadaro mai Norest
"Unotoona kushushikana kwevaroora vako
chete, kwangu hausi kana kukuona? Ndivo vanhu
vakakonzeresa zvose izvi mumusha wangu,"
vakadaro VaZindoga ndokutora chimonera chavo
ndokusunga.Vakachitungidza
ndokukweva.Vakamboramba vakapfunda hutsi
ndokuzohwubuditsa pave pava.Zvechokwadi
murume ainge abaiwa panyamanhete.Waiona
nemeso avo ainge ave kungogara akatsvuka
seainge adirwa mhiripiri.
"Handiti ndeyemuguchu here nhai Shumba?
Ndizvo zvakaitika hapana zvatichakwanisa kuita.
~ 161 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

Asizve musakanganwa kuti muparanzvongo


chaiye ndiye mwana wenyu," vakadaro mai
Norest vachitaura nemurume wavo.
"Yemuguchu kuita sei kwacho ipapo?
Wakatarisa muroora wako uyu unoona chii ipapa?
Unotoona mwana seakagarika ipapa ivo amai
vake...?"
"Zvambonyanyoita seiko nhai Nyamuzihwa?"
vakabvunza vachibata murume wavo
muromo.Panguva imwechetewo Monica akabva
apinda mumba umu akabata ndiro idzo dzaainge
achisuka panze.
VaZindoga vakati vaisimudzira yavo yavainge
vasiira panzira."Tarisa chero mai Tavonga
ava.Vana vari kurwadziwa nezvakaitika ava. Ini
ndange ndazviramba imi mukati tora, hezvo nhasi
musha wangu waparara.Naiyewo mukunda wangu
ane ngozi chaiyo kuita hushingi hwakadaro
hwekuu..."
"Ndati zvaita seiko murume mukuru? Mati voita
seiko vana ava?" vakabvunza vachitendeka
varoora vavo avo vainge vachigara
nechekunerimwe divi mumba umu.
"Ko unoti tichazvichengeta kusvika riiniko nhai
mai Norest.Vana vanofanira kuziva zvakaitika
kuvabereki vavo.Asi ini ndinopika nababa vangu
Shumba mombe dzangu hadzingamboende
zvichikonzerwa nevatorwa. Ndaramba," vakadaro
vachipedzisa kachigusvani kefodya kavainge vaita
zvekutswinya nenzara.
"Zvino muchaita sei iye wenyu mukunda
arimowo munyaya yacho?" vakabvunza vaona
kuti hapana chekuchavanza sezvo murume wavo
ainge atobudisa kiti musaga.Chero zvazvo vainge

~ 162 ~
Abraham Makamera

vasati vaibuditsa yose asi muswe wainge


wangobuda uyoyo wakapa kuti varoora vavo vave
nekakufungira.
"Tongomirira kutongwa kwayo tozotangira
ipapo," vakapindura vakatarisa mudzimai wavo.
Monica naChipo vakasimuka ndokubuda panze
vakatevedzana vaona kuti nyaya iyi yainge ine
chekuita navo.Vakamira muberere reimba
ndokumbotaura vari vaviri.
"Ko nhai maiguru, inyaya yechii iri
kunetsanirana amai nababa?" akabvunza Chipo
akagumbata maoko.
"Ndinofunga inyaya yeuya wekushaika mazuva
apera.Zvino tete mai Muchaneta vanenge varimo
munyaya yacho," akadaro Monica akamira
akazendama nemadziro.
"Kana iriyo saka isu tapinda papi apa?"
akabvunza Chipo.
Monica paakada kuti apindure akanzwa
VaZindoga vave kutaura vachiita semunhu ari
kupopota.
"Saka ichokwadi, tete mai Muchaneta
vakasungwa.Ndakangonzwa karunyerekupe
nezuro ndikamboda kubvunza mai asi kuti
ndakashaya kuti ndotangira papi," akadaro
Monica akabata musana uyo wainge wadzoserwa
mukati nairo dumbu rake rainge rakura.
"Teerera. Vanenge vakasungwa vakawanda asi
ndivo vakauraya mukadzi uya?" akadaro Chipo
akabata chipfuva hana yava kurova nezvaainge
anzwa VaZindoga vachitaura.
"Kana vari tete mai Mucheneta
vakamuuraya,zvakaitika ini ndainge ndaenda
kupi?" akazvibvunza akatarisa Monica uyo ainge

~ 163 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

akavhura nzeve achiteerera nyaya yaitaurwa


navamwene vake pamwe chete navatezvara
vake.
"Mira tinzwe panenge pataurwa zita ravatete
vangu," akadaro Monica.
"Vanenge vari kunzi vakasungwawo,
teerera.Panenge pakasungwa vanhu
vakawanda.Avo vari kunzi mai Chipo dai
vakasaita amai vangu nekuti pano ndingatakura
twangu ndoenda. Ndingapagara sei pano ini?"
Akadaro Chipo akachangobata pachipfuva.
"Mai Tavonga!" rakadaro inzwi ramai Norest
richishevedza riri mumba.
"Mhaa!" akapindura Monica achifamba kupinda
mumba.
"Ko amainini vako vari kupi? Huyai mose,"
vakadaro VaZindoga vangoona Monica achipinda
ari oga muimba yekubikira.
Monica akangotendeuka ndokudongorera
panze achishevedza Chipo uyo ainge asara
akangomira muberere.Vakapinda mumba
ndokundogara pasi.
"Ndini ndakushevedzai vanangu.Munogona
kunge makangonzwa nemakuhwa asi ndati regai
nditaure nemi.Handiti munoziva dambudziko
ratakasangana naro masvondo adarika?"
vakadaro VaZindoga ndokumirira kuti varoora
vavo vapindure.
Monica naChipo vakangopindura nekugutsurira
misoro.VaZindoga vakaenderera mberi nenyaya
yavo,"Zvino pane vanhu varikufungidzirwa kuti
ndivo vakakonzera dambudziko riya.Mumwe wavo
ndewemhuri yangu,tete venyu mai Muchaneta,"
vakambomira zvishoma ndokusimudzira

~ 164 ~
Abraham Makamera

voti,"Zviri kunzi havana kuita izvi vari voga.Pane


vamwe vavaiva navo vanosanganisira amai vako
pamwe chete navatete vako," vakadaro
vachinongedza Chipo uyo akaramba akavati ndee
mumaziso. Aiita seainge asina kunyatsonzwa
zvainge zvataurwa naVaZindoga.Akaona
VaZindoga vashama muromo ndokunyatsovhura
nzeve achifunga kuti vainge varikudzokorora
zvavainge vataura.
"Wekupedzisira anonzi aivapo ndivatete
vako,mai Tavonga," vakadaro VaZindoga.
Monica naChipo vakatarisana zviya zvekuti asi
mudhara ava kupenga here uyu.
"Baba..." akadaro Monica uyo akagurisirwa
panzira navamwene vake vainge vachitaurawo
panguva imwe cheteyo.
"Ndine hurombo vanangu nezvakaitika.Vose
vari kunzi vakaenda kuChikuku kumapurisa
uko.Zvino hatizive pavachaenda kumatare iwayo
anongotaurwa kuti vachanzi kudini. Ndiyo nyaya
iri pano vanangu," vakadaro mai Norest
vachishereketa.
Pakangopedza mai Norest kutaura Monica
akasimuka ndokubva abuda panze,misodzi yainge
yave kuyerera nechiso zvino.Akaenda kuimba
yake ndokusvikozvivharira.
"Why tete? Why? Handina kunge ndaziva kuti
ndizvo zvamuri.Ah, maihwe zvangu ini!" akadaro
achiita seari kutaura nemunhu apa ari oga
mumba umu.Akagara pasi misodzi
ichingochururuka.Akazosimuka mushure
mechinguva ndokubuda panze akaona zuva
ratorereka.Akatsvaga amainini vake kuti varonge
zvekuenda kumapurisa asi akanzwa kuti vainge

~ 165 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

vatoenda.Akagadziririra ndokuonekana
navamwene vake avo vainge vangosara
nevazukuru vavo pamba apa.
"Wadii waenda mangwana muroora? Kwava
kudoka uku.Unozofamba sei kwasviba iwe
wakazvitakura?" vakadaro vamwene vake.
"Ndinofamba amai," akadaro Monica misodzi
yakajenga mumaziso.
"Usachema muroora ndezvekutoshinga
izvi.Ndizvo zvatovapo," vakadaro mai Norest avo
vasina akazovapindura.
Monica akabuda muchivanze ndiye munzira
nyengu.Akafamba ndokumbondomira pachiteshi
akamirira motokari.Akaona nguva yarebesa
pasina motokari yauya ndokufanofamba
achitevedza mugwagwa.Ati fambe fambe
akanzwa kutinhira kwemotokari kumashure
kwake ndokutsaukira padivi.Akamisa motokari
ndokupinda.Pasina chinguva ainge atova
pakamba yepaChikuku.
Achindosvika akabvunza nezvavatete vake avo
vakanzi vainge vabva paChikuku musi uyu
vachienda kudare redzimhosva kuMasvingo.
Haana kupedza nguva aripo ndokukumbira
kuziva kwaiva nedare redzimhosva muMasvingo
izvo zvaakawana nekuchimbidza pakamba iyi.
Akandokwira motokari dzaienda kuMasvingo
ndokundovirirwa nezuva achipinda
muMasvingo.Semunhu aiva mutsva mudhorobha
iri akamboita chadzimira chekushaya kuziva kuti
onanga kupi.Akazobvunza vamwe amai
vaizvitengesera pamusika wavo waiva padivi
pemugwagwa ndokuratidzwa kwaiva nedare
redzimhosva mudhorobha iri.

~ 166 ~
Abraham Makamera

"Munoda kundoiteiko kudare nguva dzino?"


vakabvunza amai vaya vaona kuti Monica pane
zvainge zviri kumunetsa.
"Ndiri kuda kundoona vatete vangu vanzi vauya
kuno nhasi mangwanani," akapindura Monica
avakutofamba achibva paiva namai vaya.
Ko ainge achizvizivira kupi kuti dare
redzimhosva rainge ravhara asati atombopinda
mudhorobha iri. Ainge atoriwo mutsva wetsambo
munyaya idzi.Pose apa aingofunga kuti
aingondosvika achiona vatete vake panzvimbo
iyi.Mai vaya vakambozama kushevedzera
vachiudza Monica kuti dare redzimhosva rainge
ravarwa asi hapana akavanzwa.
Akasvika padare redzimhosva
kwatosviba.Akaona musiwo muhombe wemudhuri
wedare redzimhosva wakavharwa
ndokutenderera achiti achaona mumwe musiwo
wakavhurika asi yose yaaiona yainge
yakavharwa.Akadzokera pamusiwo muhombe uya
ndokugara pakacheya kaivapo.Akapfeka juzi rake
ndokufuga kachichari kaaiva nako.Misodzi
yakatanga ichamboyerera kudzikama
yapera.Paakazoda kubatirwa nehope kwainge
kwatoedza.Nekuda kwekuti paiva nemwenje
wemagetsi uye kuti kwaisava nemachongwe
aainge ajaira aitofunga kuti huchiri
husiku.Akarara akazendama nemadziro emudhuri
uyu.Akatozomutswa nemupurisa ainge atanga
kusvika padare redzimhosva iri.
"Kwakanaka here amai? Asi marara pano?"
akabvunza mupurisa uya aona Monica ari
kubvunda nechando.
"Hongu ndauyawo kuzoona tete vangu vanzi

~ 167 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

vaunzwa kuno nemapurisa ekuChikuku,"


akapindura Monica achipukuta maziso ake ayo
ainge azere hope.
"Vari kupomerwa mhosva yechii?"
"Zviri kunzi vakauraya
munhu.Makambonzwawo nezvavo?" akabvunza
Monica misodzi iya yava kutangazve kuyerera.
"Aiwa handina,ndatanga basa nhasi.Ndange
ndiri kuzororo.Ndipeiwo mazita avo akazara
ndigokubatsirai," akadaro mupurisa uya
achibuditsa chinyoreso nekamwe kabhuku
ndokunyora pasi zvaaiudzwa naMonica.
"Chigarai apo, dare rava kuda
kuvhurwa,"Akadaro mupurisa uya.Panguva iyi
vanhu vainge vave vachiita vachiwanda
panzvimbo iyi.Vamwe ndivo vaiuya nemapurisa
vakaiswa njema vamwewo vaingozvifambira vari
voga.Mushure mechinguva mupurisa uya ainge
ambotaura naMonica munguva pfupi yadarika
akadzoka zvakare ndokuudza Monica kuti vatete
vake vainge vari kusvika munguva pfupi
yaitetevera.
Monica akagara akatarisa vanhu vose vaipinda
nekubuda nepamusiwo wemudhuri uyu
achitarisira kuona vatete vake asi hazvina kuita
saizvozvo.
Kwakazoti kwaperera nguva akaona motokari
yakasvika pazvimbo iyi,iyo yainge ine vanhu
vakapfeka hembe dzekaki vamwewo chena
vakadzi vange vakapfekawo dzegirini.
Akaswedera kwaiva nemotokari iyi achida
kunyatsoona vanhu vaivamo.Nekutya pfuti
dzainge dzakabatwa nevainge vakachengeta
vanhu ava akamira chinhambwe kubva paiva

~ 168 ~
Abraham Makamera

nemotokari iyi.Akaona munhu waakafananidzira


namai Muchaneta uyo waakasimudzira ruoko.
Mukadzi uya akasimudzawo ruoko ndokuzotaura
nemumwe aiva padivi pake uyo
akazongoshevedza zita raMonica.
Kungonzwa inzwi ravatete vake,Monica
akagadaira achienda pamotokari iya apo paasina
kuzosvika adziviswa nemapurisa airinda
vanavatete vake.
"Tete Why? Ndati Why tete?" akadaro Monica
misodzi ichidzika nematama.
"Ndaiitira iwe muzukuru, manje zvakazoita
nepamwe.Sara uchengete hanzvadzi yako,"
vakashevedzera mai Mavis vave kupinzwa
mumudhuri uya.
Monica akambosara akamira panze
kwekanguva achisvimha misodzi.Akapinda mukati
memudhuri uya ndokushaya kwekunanga mainge
mangozara makamuri.Akabuda panze
ndokumbogara achiti zvimwe vachakurumidza
kudzoka tete vake.Akaona nguva yareba
ndokusimuka ave kudzokera kumba,asi misodzi
yainge yaramba kuoma pachiso chake.

~ 169 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 21

K
achekacheka kanyama kamakonde.Izvi ndizvo
zvange zvaitika pakati paMonica naChipo. Kubva
musi wavanzwa kuti hama dzavo dzainge
dzauraya mukadzi wekuwanikwa akafra mutsime
uya,kuwirirana kwavo kwainge kwave kuvava kunge
gavakava. Chainge chavepo kupumhana uroyi uyu
achiti ndimai vako vakafurira tete vangu uyuwo achiti
nditete vako akafurira amai vangu. Nokudaro
VaZindoga vakambozama kugara nevaroora vavo pasi
kuti vambomirira kupera kwenyaya yaiya kumatare
edzimhosva,asi zvose zvakatorwa nemhepo.Vakadzi
vainge voita sevarumudzai kuri kungogara
vachichinjana zvibhakera.Sezvatinongoziva
machongwe haarire pamutanda mumwe chete,Chipo
akazoona kuti zvekugara pamusha paVaZindoga
zvingazokonzera kurasika kwehupenyu hwake achibva
asarudza kuenda kumusha kwavo.
Avawo vaMonica vangu vakasara vari voga
vachingotyaira zimbazi ravo iro rainge rave kuda
kubheuka.Kubva zvabva Chipo,Monica haana
kuzotora nguva achibva abatsirwa
nemwanakomana.
Pakapera mwedzi mushure mekunge Monica
abatsirwa akamuka mangwani ndokutsvaira
chivanze.Apedza akadzokera muimba yake
ndokundoyamwisa mwana wake uyo ainge ave
kuchema.Akazobuda imomo ave kuenda kuimba
yekubikirwa uko kwaainge ashevedzwa
navamwene vake.
"Ko zvaunongoswera wakagara pano unoti
~ 170 ~
Abraham Makamera

mwana wako anodyei? Handiti unoziva murume


wako akaenda kuSouth Africa uko achitizawo
nyaya dzavanavatete vako?" Vakadaro mai
Norest. Zvizhinji zvakataurwa apa hazvina
kumushamisa nekuti ndiwo ainge ave magariro
ake.Kubva zvakaenda Chipo vamwene vake
vaimutukirira nekuku vatezvara vakewo vaingoita
zvimwechete.
Chakanyanya kumushamisa inyaya yemurume
wake iyo yaainge atanga kunzwa musi uyu.
"Akaenda kuSouth Africa?" akabvunza Monica
achishamisika.
"Hongu ndinoshaya kuti pano uchakagarira ani?
Dai ndaiva nemumwe mwanakomana ndaiti
zvimwe ndiye achazongokugara nhaka chero
zvazvo mukoma wake ari mupenyu.Zvino
ndaguma ini. Ndaiti zvimwe mainini vako
vakakuudza ini," vakadaro vakatarisa muroora
wavo uyo ainge ave kungosvimha misodzi.
"Ko wave kuchemei muroora? Ko baba
vakakuudza here kuti vanavatete vako
vakatongerwa makore gumi nemaviri vari
mujeri?" vakabvunza vachigofa gofa muchoto.
"Makore mangani?" akabvunza Monica achiita
seasina kunzwa zvainge zvataurwa navamwene
vake.
"Ndati 12 years mhani iwe.Unobvunza
wakanditarisa sezvinonzi ndini ndakavatonga
Seiko? Ndiwe wakakonzeresa zvese
izvozvi.Ndinofunga ndizvo zvamutori dzinza rese,"
Vakadaro vachitendeka Monica uyo akaramba
akangovatarisa misodzi ichidzika nematama.
"Usanditarisa apa mhani.Buda muno!"
"Ndinokumbira ruregerero kana

~ 171 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

ndakakutadzirai amai.Zvino kana mukandidzinga


munoti ndinoendepi nemwana mucheche
akadai?" akadaro achibvisa mwana wake
pamukaka ndokumuradzika pamakumbo
ake.Misodzi yaingodonha imwe ndiyo yaienda
pamwana imwe ichienda pachigumbeze chaainge
akamonera nacho mwana." Mubvunzo
wekundibvunza here iwoyo? Ini ndakabereka
vangu vana ndikachengeta. Wava kuda kuti
ndikuchengetere wakozve here? Usada
kundikwidza Bp yangu wanzwa here?" Panguva iyi
chiso chamai Norest chainge chasanduka, maziso
ainge ave kupenya seekatsi iri murima.Monica
akazviona ndokusimuka ave kunanga kuimba
yake.Akasvikopinda ndokuradzika mwana wake
ndokumbogara akamutarisa.Misodzi yakaramba
kumira ndokuramba ichingodzika
nematama.Akazorara padivi nemwana wake
ndokuzobatirwa nehope
achingochema.Akazotomutswa navatezvara vake
avo vainge vauya vachibva kudoro vakaita
kukakatwa nahwo hwefuro jena. Harahwa yainge
yakadhakwa kwete zvekutamba.Vaiita sevainge
vanwira Monica hwahwa musi uyu.
"Kachiri pano here kamukadzi kaya?" vakadaro
vachipinda muchivanze apa kachigubhu kaiva
nehwahwa kainge kakaiswa muhaphwa kachinzi
kakambovhurwa kombonzi pamuromo tsinda
kobviswa kodzorerwa muhapwa zvekare."Iwe
mukadzi iwe, buda mumba umo undipindure
mhani.Ndati kaenda here kamukadzi kaya?"
vakadaro VaZindoga vamira pakati pechivanze.
"Achiripo Shumba ndatombozama kumuudzawo
masikati asi ange akatovhara zvake nzeve,"

~ 172 ~
Abraham Makamera

vakadaro mai Norest vachibuda muimba


yekubikira umo vainge vachibika.
"Anopenga mwana uyu haikona? Arikupi
izvozvi?" vakabvunza VaZindoga vachisimudza
kachigubhu kavainge vatsveta pasi.Vakachiti
tsinda pamuroomo ndokudhudhudzira hwahwa
hwese hwainge hwasara.
“Anenge ari mumba make umo."
"Anopenga chete mwana uyu.Anotoita
seakavaka imba pano sei?Ngaabude imomo,"
vakadaro VaZindoga vachifamba kuenda kuimba
yaiva naMonica. Vakasvikogugudza zvinesimba
Monica ndokuvhura musiwo.Chiso chake
chairatidzika semunhu ainge akarara.
"Unotorara zvako pano, wakavaka musha here
pano? Mhondi yemunhu.Budisa mwana wako
mumba yemwana wangu," vakadaro vakamira.
"Iwe, ndiri kutaura newe.Ndakakuudza
kakawanda asi haude kuteerera.Chibva wabva
pano.Handichadi kukuona nemwana wako pano,"
vakapedzisira nekudzvova.
"Baba sorry zvenyu? Zvino
mukandidzinga,munoti ndinoenda kupi nemwana
iyeyu baba?" akademba akabata mwana
mumaoko uyo ainge amuka.
"Izvo ndezvako izvo. Ndini baba vemwana uyu
here zvawava kunditongesa pamusha pangu?
Ibva watora zvibhegi zvako ubve pano," vakadaro
vachipinda muimba yaMonica ndokutanga
kukanda nhumbi dzaMonica panze.Paiitika izvi
vamwene vaMonica vainge vakamira pamusiwo
vachinyemwerera nezvainge zvichiitika.
"Baba ndokumbirawo ruregerero" akadaro
Monica achipfugama.

~ 173 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Iwe unopfugamirira murume wangu washaya


wekupfugamirira here? Simuka
zvauchatonditorera murume ndakatarisa,"
vakadaro mai Norest vachifamba kuenda kwaiva
nemurume wavo naMonica vakasvikobata Monica
nebvudzi ndokumuzvuva kuti asimuke.
"Tora zvinhu zvako izvi ubve pano izvozvi,"
vakadaro vachinongedza hembe dzaMonica idzo
dzainge dzazara pasi.Monica akasimuka
ndokubereka mwana wake kumusana.Apedzazvo
akatatora hembe dzake ndokudziisa mubhegi
rake.Akabva pamusha apa ndokutora nzira
yainanga kumadokero kwemusha uyu.
Ati fambe fambe akanomira achiita semunhu
ari kufunga zvekuita.Akazosimudzira zvino achiita
seainge afunga kudzokera kumusha
kwavo.Akafamba apa mwana achingochema
kumusana.Wose waaisangana naye aingomuudza
kuti ayamwise mwana asi hapana
aizviteerera.Kunze kwainge kwave kuti zvarara
zvino.Kwakazonyatsosviba achangopinda murwizi
asi kuzobuda kwake hakuna
akazokuona.Akafamba achikwidza nerwizi,
mwana ainge anyarara zvino.Chainge chave
kutofoza zvacho chanakirwa nekukumusana
kwaamai vacho.
Akatevedza rwizi ndokundosvika padhamu
raive rakazara nemvura.Akamira pamudhuri
wedhamu iri kwekanguva.Chakazotevera hapana
achaziva.Chakazongoonekwa zuva rakatevera
racho mutumbi wemukadzi ainge akabereka
mwana kumusana,uyo wakawanikwa nechimwe
chikomana chainge chichirisa mombe munzvimbo
yakatenderedza dhamu iri.Chikomana

~ 174 ~
Abraham Makamera

chakamhanya ndokuenda kumba kwavo uko


kwaakandoudza ambuya vake.Ambuya
kungonzwa mashoko emuzukuru wavo
vakasimuka ndokuvhara musiwo wavo.Vakananga
kumba kwemwanakomana wavo uko
kwavakandosvikopira nyaya yainge yauya
nemuzukuru wavo.Murume uya akaenda
kudhamu nechikomana chiya
ndokundosvikozvionera pamhinho
sefodya.Pavakazosvika kudhamu mutumbi
wemukadzi uya wainge wava kumhendekedzo
kwedhamu iri.Vakaenda padyo ndokuona inga
munhu uyu vaimuziva.
"Tapiwa huya pano," akadaro murume uya
achisuduruka kubva pamudhuri wedhamu riya.
Chikomana chakatevera murume uya
ndokundomira chakabata musoro.
"Ko nhai baba,ndisisi Monica here ava?"
chakabvunza chikomana chiya chakabata
chidemo muruoko rwacho rwerudyi.
"Chimbodzora mombe idzo dzinozopinda
mumagarden evanhu," akadaro murume uya
ndokusara ave kudzokera padyo nemutumbi
uya.Akaramba akautarisa ndokuzodzungudza
musoro.
"Ndivoka baba?" chakadaro Tapiwa chadzoka.
"Ko watodzoka? Chienda kumba undoti
mukoma vako vauye kuno," akadaro murume
uya.
Tapiwanashe chakamboramba chakatarisa
mumvura. Chakazobva paya kwava kuenda
kwachainge chatumwa. Chakandosvikosiya shoko
ndokubva chadzoka pasina chinguva.
"Ini zvangu ini.Mati ndoita seiko nhai

~ 175 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

Nyadenga? Mwana oenda kujere muzukuru


ozviuraya," vakadaro VaMakunge vanzwa kuti
munhu ainge aonekwa naTapiwanashe mudhamu
aiva Monica.Chembere yakasara ine misodzi
yakaramba kuoma pamatama.Chakanyanya
kuvarwadza ndechekuti vaigaroudza mwana wavo
nemuzukuru nekuda kwehunhu hwavo asi
vakaramba kuteerera. Zvechokwadi Panomera
muswe panonyeredza.

MAGUMO

~ 176 ~

You might also like