You are on page 1of 122

WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

Chapter 1

Mike akanga achangopedza zvidzidzo zvake zvelaw


paUniversity huru yeZimbabwe. Zvakamutorera
kushinga kwakanyanya kuti atange kuita law nekuti
akanga arasikirwa nevabereki vake vese achirikuita
Form 6 paSt Peters Kubatana muguta reHarare. Kubva
zvakashaya vabereki vake mutsaona yakadya upenyu
hwevanhu vaisvika makumi maviri, hupenyu hwaMike
hwakabva hwatora a different twist. Kufa kwababa
naamai Moyo, vaive vabereki vaMike kwakaita kuti
asare asina fukidziro nekuti haana kana dzimwe hama
dzaizivikanwa.

Paakatanga gore rake rekutanga paUniversity of


Zimbabwe akabva atanga kufambidzana neimwe
tsvarakadenga yainzi Ropafadzo. Uyu aive musikana
mutsvuku anehurefu huripakati nepakati arimupamhi
zvishoma. Aive akaumbwa zvaiyevedza, Mike aitotadza
kudzikama nekuda kwetsvarakadenga yake yaanga
akazviwanira. Zvinonzi nevamwe 'runako rwemurume
rwuri muhomwe' asi Ropa anga akada Mike zvisinei kuti
angaasina zvikwanisiro zvakanyatsoti tsvikiti.

7
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

Rudo rwevaviri apa rwanga rwuri rwechokwadi kwete


rwekuratidzana zvishandwa serwakuitwa nevazhinji
mazuvaano. Mike aigara ega, hama yake yaanga akutoti
yepedyo ndiRopafadzo zvekuti Ropa aitogara nema
spare keys ekumba kwaMike, saka aingosvikako chero
paadira even Mike asipo. Vanhu vazhinji vemumusha
weKuwadzana umo maigara Mike vaiyemura vaviri ava.
Chero paUZ pavaiita zvidzidzo zvavo, uyu Ropa achiita
Medicine, vazhinji vaiyemura rudo rwaMike naRopa.
Asi panechakanaka pese hapashaikwe vanegodo. Mike
akapedzesera avengwa nevamwe vadzidzi paUniversity
apa vaidawo Ropafadzo asi vakamutadza.

Musi waagamuchira rugwaro rwake rwekukunda


muzvidzidzo zvaaiita, Mike akabva abatana nedzimwe
shamwari dzake vachienda kuLake Chivero
kumbonogocha nekuti zvemabhuku vakanga vapedza
vakutoronga zveupenyu. Mike akatorana naRodrick
Ngoma, Revai Mahanya, Godwin Tinacho pamwechete
naFungai Toendepi. Idzi ndidzo dzaive shamwari dzake
dzepedyo. Mike akatora motokari yaRopa yaive yerudzi
rweToyota Runx kwakupinda munzira neshamwari
dzake. Vakomana vaive vakazadzwa nemufaro
pavaienda kumafaro ekupedzesera vasati vatangana
nehondo yekutsvaga mabasa.

8
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

Uku kwakafarwa, vanhu vakatanga vachanwa


kudzamara vave kunwiwa naro. Ropa aitombofona
semunhu ane munhu wake aida kupota achinzwa kuti
aripapi. Akazosara odzokera kumba Mike aparara kare.
Nemadhakirwe aanga akaita vamwe vake vaitotyira kuti
vachakuturwa muroad asi vakachengetwa nenyasha
vakasvika zvakanaka. Akapfuura achinosiya mabhururu
kudzimba dzawo iye kwakuzopfuurira kuenda kumba
kwake.

Jaya rakasvika pamba ndokusvikoti mvorokosho


pamubhedha. Zvakanga zvasangana kuneta pamwe chete
nehope. Dzakati dzichangomubata dzinosunga
mbiradzakondo, pamukova pakabva pagogodzwa
zvineruzha. Mukomana akavhunduka ndokumuka
akananga kumukova kuti aone kuti ndiani aigogodza
zvineruzha kudaro. Akamboita pfungwa yekuti
ndiRopafadzo, asi zvakamurambira nekuti nguva dzaive
dzafamba. Ropa aiti kana achiuya aitanga amuridzira
runhare. Izvi zvakamunetsa zvikuru. Akati achingovhura
gonhi, muromo wake wakabva wangovhurika
nekukatyamara. Akambofunga kuti akanga achitadza
kuona. Akapukuta maziso ako ndokuchinyatsotarisisa.
Zvaakaona zvakamugura mabvi pamwe nekumupedza
mate mukanwa. Pamberi pake paive nechitunha
chemwanasikana aitaridza kuti akanga aita zvekubaiwa
nebanga pachipfuva chaipo. Hana yake yakatanga

9
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

kubika manhanga. Akanyatsocherechedza chitunha


chaive chakazara ropa ndakuona ari Laura. Mukomana
akabva agara pasi akabata musoro akatarisana neshura
iri.

Akazovhunduka zvakanyanya anzwa vanhu vaitaura


vachidarika nenzira kwakubva akwevera mutumbi uya
mumba musina anoona. Akasara ofunga zvekuti panga
pasina chekuhwanda sezvo asiriye auraya atovhara door.
Doro ranga rachizopera mumusoro mukomana akufunga
zvekuita nemutumbi. Akafunga kudeedza vanhu vaanga
anzwa vachitaura kuti vazoonawo mashura aanga
asangana nawo uye kuti vazomubatsirawo. Akavhura
door zvechimbi chimbi achida kuvamhanyira
akazomiswa netsamba yanga aripamusiwo paanga abvisa
mutumbi. Akaivhura seachadambura maoko akuita
seanenhetemwa mukomana. Tsamba yanga yakamuraira
kuti anoviga chitunha pachisingafi chakaonekwa akarega
kudaro nyaya yaiomera iye. Uyezve azviite nekukasika
kunze kusati kwachena. Tsamba yacho yakapera
kuverengwa yanyorova nedikita. Akazofunga kuti
aifanira kuichengeta ozoiratidza kumapurisa sehumboo
kana oda kuzvichenesa atoidambura dambura
nekuitsokodzera nemakumbo nehasha.

10
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

Akaedza kuda kuona kuona kuti zvipenga zvacho


zvingabatanidzika here akaona zvisisina pundutso.
Akafunga kumbosecha mutumbi kuti zvimwe angawane
imwe tsamba inomuudza futi zvekuita wanike hapana
iyoyo yaanga aparadza ndiyo yega yaigona
kumusunungura. Akabva akwiridzira bhurugwa
akuchirisungira muchiono yanga isisiri nguva
yekudembedza sezvavanga vakaita nemabhururu ake
kuLake Chivero. Akabva avhara mahwindo anga
akashama kuitira kuti vavakidzani vasaone zvemukati
kwakutora chikorobho kuti anochenesa mamusiwo
panga paenda ropa. Umwe moyo wakamuudza kuti
afonere mapurisa umwe uchimurambira. Semunhu anga
akaita Law kuUniversity aiziva kuti kubvisa humwe
humboo kunosungirira

Mukomana akatanga kufamba-famba achifunga zano.


Pgungwa dzake dzakanga dzopishana pakati pekuridzira
mapurisa runhare achivazivisa zvaaive asangana nazvo.
Akava nekutya kukuru nekuti vakomana veHomicide
aiziya mashandiro avo. Akave nemibvunzo mizhinji
kwazvo mupfungwa dzake. Ndiani akanga auraya
mwanasikana uyu? Ko sei mhondi iyi yakafunga
zvekusiya mutumbi pamukova pake? Iyi yakanga
11
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

yangove mibvinzonhando isina anopindura. Imwe


pfungwa yakamuti atore chitunha ochiisa muacid asi
akanzwa mwoyo wake uchimurambira. Apa nguva
dzaive dzadyana, mukomana achingomerera nekudikitira
achishaya zano rekuita. Akazoti pava paya regai
ndichaire mapurisa runhare, ndokubva aisa ruoko rwake
urwo rwaidedera serutsanga ruripamapopoma achida
kutora runhare rwake rwerudzi rweSamsung. Akangoti
achigumha runhare rwaive muhombodo yemudhebhe
waaive akapfeka, rwakabva rwazhamba
zvakamuvhundutsa. Akanzwa pahuro pake pachioma.
Akamboita nguva runhare ruchizhamba achitya
kurudaira. Akazorovera mwoyo kudombo ndokutora
runhare kubva muura wemudhebhe wake. Akatarisa
pascreen akaona dzakanzi Private. Musoro wake
wakatanga kutenderera avakuzvibvunza kuti ndiani
akanga afona neprivate number.

12
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

CHAPTER 2

Mike akatora nguva akatarisa nharembozha yake. Hana


yake yakanga isisina kugadzikana yotamba mbakumba
neshangara. Maziso ake akanga azara nekutya. 'Who
could this be?' akazvibvunza achidikitira semunhu
arikukuchidzira hovhoni yezvidhinha. Akazoita zvivindi
ndokubaya bhatani rekuti agamuchire call. 'He-he-
helloo,' akadaro achikakama zvekutya chaizvo. Runhare
rwakabva rwadambuka asina kupindurwa. Akaramba
akaritarisa asisaziye zvekuita. Pakarepo pfungwa
yekufonera mapurisa yakabva yamubata. Akabaya
nhamba dzemapurisa runhare rwukaramba kupinda.
Akaramba achiyedza asi haana kukwanisa kubata
mapurisa. Aona kuti zverunhare zvaramba, Mike
anofamba achibuda mumba. Anombomira pamukova
zvechinguvana otarisa zvakare chitunha chaakanga
azvuvira mumba. Anozunguza musoro obva abuda
mumba. Anobva atanga kufamba akananga kugate kuti
abude. Panguva iyoyo anobva arangarira kuti akanga
asina kukiya gonhi. Anodzokera nechimbichimbi kuti
akasike kubata nguva kusati kwanyanya kusviba. Mota
yaakanga auya nayo yakanga yaperawo mafuta.

Dai anga aine hamawo yeropa aiwana wekumira naye


panguva yachimbetu yaanga ari. Ropa ndiye munhu aive
13
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

wepedyo pedyo zvino kuzomuudzawo nekusagadzikana


kwehana dzevanhu kadzi aigona kuzozviwedzera nhamo
pamusoro peimwe. Anga asingachazive wekuvimba
ndizvo zvakamupa kuti asadeedze masahwira ake,
kushamwaridzana kwenguva yekufara nekwekunorasa
mutumbi zvaitove zvinhu zviviri zvakasiyana.

Mike akanga otamba ngwecha ngwecha semudzanga


unoti uku unotsva uku wakarumwa. Chamutavanhava
ndochaaive atarisana nacho. Akazobatwa nepfungwa
yekundoudza father vekereke yeRoma yaive pedyo
neKuwadzana. Father ava vaiwadzana zvakanyanya
nemhuri yekwaMoyo. Mike akanga avaziva kubva
achirimudiki uye akanga otovaona sababa nyakutumbura
chaiye. Mukomana akabva akiya gonhi rake kwava
kukanda tsoka akananga kumugwagwa waikwirirwa
michovha yaienda kuMufakose uko kwaigara Father
Damion. Akati achipedza kukochekera gedhi Ropa
akabva afona. Mike haana kutora nguva kudaira runhare
rwemudiwa wake. 'Hey babe,' akadaro Ropa kune rimwe
rutivi. Mike akamboita kanguva akanyarara
akazovhunduka pakataura Ropa nezwi rakanga rati
kwirei. 'Are you okay honey?' Ropa akabvunza
achitaridza kushushikana.

'I am okay honey. What were you saying?' Mike


akabvunza pfungwa dzake dzirikurekure.

14
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

'You sound so disturbed. I am in town and am coming to


your crib right now,' akadaro Ropa achibva adambura
runhare.

'Aya ndomaone manje. What will I say when she gets


here? No. I have to call her back and tell her to meet me
somewhere in town. How will I explain this to her?`
akadaro Mike achifamba famba achitaridza kupererwa
nezano.

Jaya rakabva rabaya nhamba dzaRopa kuti amufonere


back asi zvakakona n'anga murapwa achida. Kamukadzi
kaya kekueconet ndokaingoti *the number you have
dialed is currently not available. Please try again later*.
Mike akambonzwa hasha asi haana zvaaikwanisa kuita.
Akambofunga kungobuda asi akaziva kuti Ropa aive
neimwe key yaaigara nayo. Mukomana akapererwa
kusvika pakushaya zvekuita. Akabva agara pamatombo
aive pabindu remaruva. Ari mushishi rekupishana
nepfungwa kudaro panobva pasvika imwe shamwari
yake yaakambodziidza nayo yainzi Thabani Maseko.
Vaviri ava vanokwazisana ndikutanga zvavo kuzeya
nyaya vakagara pamatombo ebindu remaruva.

'Where have you been my old friend?' akadaro Thabani


achikwazisa mumwe wake. Thabani aive mukomana
mutsvuku aive akaipa chiso secheni dzakaunganidzwa.
Aive nerino zimhuno rakaita sehwandamakwakwa
15
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

yenduni. Maziso ake aive mukuru senhundurwa


aingunotamba ari muhombodo dzawo. Aive mupfupi
aine tsapfu dzaitaridza kuti akanga akayamwa akaguta.

'Ndiri right shamwari. Hapana kana kwandakamboenda.


Handiti unoziya kuti ndakanga ndichipedzisa course
yangu ndirikuMt Pleasant. I hope you have not forgotten
that my head was always buried in my books, ' akadaro
Mike achiseka hake.

'Handeika timbonotandara zvedu ndichimbokunwisawo


tichiita catch up nguva yareba usingabatiki', akapedzisa
kutaura Thabani vaMike vedu vanga vanebhabharasi
vakutozunza bhurukwa ravo madhaka anga avaenda
pavanga vagere. Pakarepo akazongararira kuti anga
anemutumbi mumba ndobva agara pakare. 'Hezvo ko
wadii futi hauchadi?' Thabani akabvunza sahwira wake
anga adzokera pakugara pasi iye anga amboita seabvuma
kuenda naye.

'Shamwari mazera edu aya haadi kuti tivhurise mabhawa


achiri kutsvairwa, ko patinozochemberera tinenge
takudii tikatanga izvezvi,' akawanda nechikonzero
ichocho mukomana apa aingonamata kuti Thabani
asafunge zvekuda kunotandarira mumba.

16
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

'Taura hako, handeka muden unondipawo mvura


ndibvise zvangu bhabharasi ndoda inotonhora chaiyo,'
Thabani wacho aitotaura achivhura ghedhe akatungamira
achisiya muridzi wemba kumashure. Uyuwo Mike anga
ongokwenya musoro oshaya kuti omurambidza sei?

'Ndagaya mushe, ini rangu bhabharasi ririkuda


kutobviswa nedoro chairo saka chienda unotenga ini
ndisare ndichitsvaira tsvaira hamhusi kutarisika
ndakadhakwa zvekupenga nezuro ndikaburitsa rese doro
racho unomira moyo ukapindamo, chienda unodzoka
ndamugadzira,' ndiMike uyo aitaura achibata ruoko
rwaThabani rwaivhura ghedhe pamwe nekufamba
akarubata akazomusiya anyatsopinda munzira inonanga
kuzvitoro.

Asati apedza kutura mafemo Ropafadzo akabva


asvikawo achifemereka. Jaya rinovhura maziso,
kuvhunduka pamwe nekupererwa. Kusvika kwakaita
Ropa kwakaita kuti anzwe chiveve. Akaramba angomira
pagedhi, izvi zvinova zvakashamisa Ropa. Munhu ane
munhu wake anomuziya.

17
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

'Mike, why do you look so pale? Seems like you have


seen a ghost. Are you okay babe? `akadaro Ropa
achipuruzira tundebvu twaMike twaive
twakanyatsochekererwa zvainwisa mvura.

'Yeah I am okay sweetheart. I was wondering if we


could go out today. I need to eat out. Can we leave now?
' akadaro Mike achitaridza kusagadzikana.

' It's not a problem honey. I need to freshen up though.


Can't go out in this state, ' akadaro Ropa achitofamba
kupinda muchivanze.

18
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

CHAPTER 3

‘Ropa!’ akadaidzira Mikeachiedza kumisa Ropa uyo


akanga otofamba akananga kuimba yaigara mudiwa
wake. Ropa akamira ndokutendeuka achitarisa Mike.
Chiso chake chakataridza kubhoekana kwakanyanya.

‘Babe we will be late. Let me grab a quick bath. I will be


done in a jiffy,’ akadaro Ropa achienderera mberi
nekufamba. Mike anobva amumhanyira omubata ruoko.

‘No my love, you can’t bath now. Let’s leave at once,’


anodaro Mike achitaridza kushungurudzika
kwakanyanyisa.

‘Are you alright my love?’ Ropa anobvunza achitaridza


kuve nehanya neumwe wake.

‘Yes I am okay my love. It’s just that I have time to


catch. Let’s leave at once,’ Mike anodaro achidhonza
Ropa kuti vabude mugedhi. Ropa felt kuti something
was wrong naMike but zvakamunetsa kuti chingave chii
chaizvo chaishungurudza umwe wake. Haana kuramba
achikakavadzana naMike asi akangoita sezvaaida. Vaviri
vakabuda mugate ndokunanga kwaikwirirwa makombi
kuti vanange mutown.

‘ You are not yourself Mike. What’s happening? I am


getting worried.’ Akadaro Ropa achipuruzira Ruoko

19
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

rwaMike vakamira pabus stop. Hapana kutora nguva


yakareba kombi yakabva yangosvikawo Mike
ndokumisa. Kombi yakasvikomira mumakumbo aMike
chaimo ndokubva avhurira Ropa door rekumberi kuti
vagare since kwakanga kusina munhu aive kagarako.
Kombi yakabaiwa yakananga mutown apa pachirohwa
mumhanzi wakanyorovera waJudy Boucher.

Hazvina kutora nguva kuti vaviri ava vapinde mutown.


Vakananaidzana vakananga paJoina City iripedyo
nepaMain Post Office muguta reHarare. Vaviri
vakasvika ndokutsvaga pekugara pairova kamhepo
vachiteerera song yaBeater naAlick Macheso inonzi
huya uzotora rudo. Ropa aive azere nemufaro kuve
pedyo naMike. Hapana chinhu chaimufadza kupfuura
kuve pedyo nemudiwa wake asi zuva iri akatoona kuti
Mike ane zvaimudya moyo.

‘Mike, you promised never to hide anything from me. I


have a premonition that there is something that you are
not telling me. Like seriously, if I am your woman, I
deserve to know what is eating you like this. You look so
sullen and I can’t figure out why.’ Anodaro Ropa
akatarisa Mike mumaziso chaimo.

‘ I am alright honey. Don’t worry too much I will be


fine. I am just nervous because of my upcoming
interview with one of the law firms in town. A few
20
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

blocks from here.’ Akadaro Mike achideedzera waitress


kuti amuigire menu kuti aite order chikafu.

‘That’s the best news I have received today honey.


Congrats! Ko why wanga usina kundiudza? You aren’t
serious. So you expected me to throw bones or Urim and
Thumim kuti ndiziye zvirikukunetsa?’ akadaro
mwanasikana azere nemufaro.

Mike aipishana nepfungwa kuti aizozvifambisa sei


maringe nechitunha chakanga chirimumba make.
Akaziya kuti akaita nguva asina zvaaita chaisvika
pakunhuwa zvekuti chinenge chisisavanzike.
Akambobatwa nepfungwa yekuda kutiza asi akaona
zvakamuomera nekuti aizonzi aive nechekuita nekufa
kwemuskana uyu. Mike akanga azivana naLaura
paakange ave mugore rake rechipiri aripaUZ. Panguva
iyi Mike akanga avakutofambidzana naRopa.

Laura aive musikana murefu aive nechimiro chaiita kuti


kana ngirozi dzimire kushumira kana kunamata. Aive
neiya beauty yaive so tempting that even kings would
lose themselves nekungomuona chete. Aive aine
macheek bones aive akati rebei seehorse, nemutsipa
murefu sewebhiza. Paari hapana chaishoreka. Ganda
rake raive rakatsetseka risina kana bundu zvaro. Aive

21
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

netukomba mumatamba twaiti kana akanyemwerera


hana dzevazhinji dzairova zvekufa chaiko. Mazino ake
aive ano machena akati wekee semukaka akaenzana
sekunge akachekererwa. Pano pachiuno paive patete
obva aita chivakashure chaishura. Mativi ake aiita
sekunge akaiswa uta kudivi rega rega. Aive nekadumbu
kaiyevedza kutarisa kaive nkachitsuva kebvudzi pazasi
peguvhu. Makumbo ako zvaive zvitambo nengoma aine
tumadodzi dodzi tunenge twemango.

Mike musi waakasangana naLaura akarohwa


nechadzimira. Laura akanga achangotangawo zvidzidzo
zvake zvePolitical Science. Akasvikawo akaendawo
kwaive nemeeting yeboka revadzidzi (Students Union)
iyo yaitungamirirwa naMike. Musi uyu Mike aitoita
address kumamwe mastudents maringe nenyaya
dzekusafambiswa zvakanakwa kwemaExams. Akati
apedza kupaaddress yake akabva papodium ndokufamba
akananga kulibrary kuti anoita research yeAssignment
yaakanga ainayo. Aifambisa nekuti aida kusvikawo
mulibrary paine nguva. Apa ndipo paanodhumhira
panetsvarakadenga yaakazoziya kuti yainzi Laura.
Kubva ,usi uyu Laura naMike vakanga voonana kazhinji
munguva dzavanenge vapedza malectures kana kuti
kulibrary.

22
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

Vaviri ava vakabva vave shamwari dzemandorokwati


zvekuti vanhu vazhinji vaisafara neushamwari hwavo.
Mike naLaura vakazosiyana Laura paakatama nemhuri
yavo avekuenda kuGweru. Akabva angonoitira
zvidzidzo zvake paMidlands State University iri
muGweru. Vaingobatana parunhare.

Mike aingonofunga nezvakusangana kwaakaita naLaura.


Akazovhundutswa naRopa uyo akamukwenya atoona
kuti pfungwa dzake dzaive kure kure.

‘Mike I am worried. Your disposition today is not alright


and you make me suspect that there is something you are
not telling me. I am not a kid anymore and I don’t like it
when you are ill disposed,’ Akadaro mwanasikana
atomira kana kudya chikafu chakanga chaitwa order
naMike. ‘ i think you need to rest. I will accompany you
home ndokusiya wazorora.’ Akaenderera achidaro Ropa.
Mike akaita kunge arumwa nechimwe chinhu
achisimuka paakanga akagara.

‘Listen to me Ropa. Stop this senseless nagging. I told


you I am fine and stop stressing me. If you are not
comfortable being around me just leave,’ akadaro Mike
achifemera pamusoro sendere. Ropa akatoshamisika kuti
hasha dzakanga dzabvepi. Zvakatomupedzawo mate
mukanwa. Kubva achitanga kuziya Mike haana kana

23
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

kumbobvira arohwa kana kukwidzirwa izwi sezvakaitwa


naMike panguva iyi.

‘Calm down my love. I am so sorry for persistently


nagging you. It was just that I am concerned. Forgive me
honey.’ Akadaro Ropa akabata ruoko rwaMike. Misodzo
yakatanga kuti mokotomokoto pamatama ake.

‘Better be!’ akadaro Mike akatarisa kurutivi. Ropa


akatozvionawo kuti pakanga pashata asi hazvina
kumutadzisa kuda kuziya kuti chii chainetsa mudiwa
wake. Akazviudza kuti aizotsvaga kuti chii chainetsa
Mike. Panguva iyoyo akabva afunga kufonera Rodrick.

‘Excuse me honey. Let me visit the rest room,’ akadaro


achisimuka kwakufamba akananga kwaive nezvimbuzi.
Akasiya Mike akangomira pfungwa dzake dziri mitunhu.

24
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

CHAPTER 4

Ropafadzo akasimuka achisiya Mike akamira parutivi


petable yavakange vakagara. Mwanasikana anofamba
akananga kurest room uko akanga audza Mike kuti
ndokwaaida kuenda kuti anozvibatsira. Jaya rakatanga
kufamba famba pfungwa dziri kumakoto. Zvechokwadi
kana paine chinhu chinogona kuondesa munhu nenguva
diki-diki kufunga. Mike akanga asina kumbobvira aita
pfungwa yekuti zvinhu zaizosvika pakudai. Akarangarira
kufara kwaaiita neshamwari dzake vari kuLake Chivero
nemafambiro aakaita kubva kuLake achienda kumba.
Zvinhu zvese zvakanga zvakati twasa. Vakuru vakareva
vakati chinamanenji hachifambisi, iri shura akanga asina
kana kumboritarisira. Pfungwa dzake dzakaba
dzadzokera pazviitiko zvakaitika achiri kuUniversity
achitungamirira Students Union kusvika pamazuva
aakapedza zvidzidzo zvake zveLaw.

Mike akagamuchira runhare kubva kune imwe


organisation yaita zveLobbying and Advocacy mune
zvemaHuman Rights. Akasimudza nharembozha yake
ndokupusha button rekugamuchira call. Izwi dete-dete
rakataura kune rumwe rutivi Mike akateerera. ‘Good
afternoon, this is Scorpion Lobbying and Advocacy

25
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

Centre. Is this Mr Mike Moyo on the line?’ izwi


rechikadzi rakabvunza kne rumwe rituvi.

‘Yes, this is Mike Moyo speaking.’ Mike akapindura


nezwi raive nekukatyamara. Akambogamuchira flash
message kubva kune yainzi SLAC asi haana kuziya kuti
zvairevei.

‘Be advised that you have been selected to represent


your institution of Higher learning at the fora of
Upcoming Young Lumaniries(UYL) to be held on the
14th of April 2017. You will be notified of further
details on the venue and other modalities. Details will be
wired via e.mail.’ akadaro musikana uya achibva
adimbura runhare. Mike akazongoramba akatarisa
runhare rwake achizvibvunza mibvunzo yakawanda.
Akaenda kumamessages paphone yake kwakutarisa
message yakambenge yatumirwa neSLAC. Jaya
rakavhura message yakanga yakanyorwa zvinotevera:

TO ALL CONVENORS HTTPP//CLASSIFIED MSG


CLASS HOTEL

N/R PPT// EYES ONLY

Addressees to convene locstat AR 1234090600hrs

REPEATED CMM EYES ONLY

26
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

EOT

Mike akaramba akatarisa message iyi asinganzwisise


kuti yairevei. Haana kuideleter akangoisiya yakadaro
aine tarisiromyekuti pachapinda imwe message asi
hapana message yakapinda. Izvi zvakaita kuti ave
nepfungwa yekutsvaga kuti SLAC yaiwanika papi.
Akatora Directory kwaakutanga kutsvaga organisation
inonzi SLAC asi kwaive kutsvaga tsono in a hay stack.
Zvakamupedza samba paakaona kuti organisation iyi
yakanga isingaite exist because mudirectory makanga
musina. Imwe pfungwa yakamuudza kuti zvimwe yaive
organisation ichangotanga, asi chakamushamisa
ndechekuti pakufona vakanga vashandisa landline. Mike
akabva aita pfungwa yekuena kuTel One kunobvunza
kuti akwanise kubatsirika. Chimwe chakanyanya
kumunetsa ndehekuti vanhu ava vakanga vawanepi
madetails ake kubva kuphone number kusvika kuE.mail
yaaishandisa.

Hana yaMike haina kugadzikana uye akabva azvipira


kutsvaga kuti SLAC yaimbova chii. Mukomana
akamuka mangwanani emusi weMuvhuro akananga
kuTel One. Akasvika mutown 8 dzichangokwana
akasvikawo paTel One pachangovhurwa. Akabva
angopinda mukati ndokumirawo pamutsetse paive
27
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

nevamwe achimirira kuenda kuinquiries. Pfungwa dzake


dzaive dzisina kugadzikana dziribararamhanya. Panguva
iyi pakabva painda umwe murume aive akafa
nemucheno akapfeka suit yake nhema yaive
yakatwasuka zvainwisa mbura. Mukati mebhachi akanga
akapfeka shirt chena yaive neitsetse yeblue. Shasha
yaive yakagarwa zvayo nezvayakanga yakapfeka. Mike
akanyatsocherechedza shasha iyi akaona kuti yakanga
iine a communication device raive panzeve yakapfeka
maboniboni. Pane chimwe chinhu chakaita draw
attention yaMike pamurume uyu. Akasviak akamira
pamadsk panonyorerwa nemaclients achingotarisa Mike
zvaisanzwisisika. Ane nguva yaakazombobvisa
maboniboni achipukuta maziso ake, Mike ndipo
paakaona kuti murume uyu aive neziso rekuruboshwe
raive rakafa pamusoro paro paive nevanga dema
raitaridza kuti anenge akaita zvekubaiwa.

Pamberi paMike paive nemukadzi aive aripo akange


akapfeka semudzidzisi, akachena zvaiita kuti kana
chimiro hake chionekere zvirinani.Mukadzi uyu aiita
seane zvaaida asi Mike akave nekakunyumwa kuti
anenge aive pamwe chete nemurume akanga apinda
nguva pfupi yananga yapfuura. Chakaita kuti Mike
afungire izvozvo inyaya yekuti pamapfekero evaviri ava
pane zvinhu zvaiebderana. Chechipiri vaitaridza kuti
vaipana masigns ayo Mike asina kunzwisisa. Izvi

28
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

zvakapa Mike pfungwa yekubuda muTel One Mall.


Mukomana akabuda ndokuyambuka mugwagwa
achipinda paParkade yaive opposite Tel One. Akati
achingoti yambukei mugwagwa ndopaakaona murume
uya nemukadzi vachibuda paTel One vavekufamba
nekudivi raakange ayambuka naro. Izvi zvakamupa
pfungwa yekuti aiteverwa.

Mukomana akave nemibvunzo yakawanda mumusoro


make maringe nevanhu ava. Paainopishana nepfungwa
Ropa akabva adzoka. ‘ Honey I think you are exhausted.
Let’s go home,’ akadaro Ropa achibata Mike
pashoulder.

‘No babe I can’t go home. I have a lot of work t do at the


moment. It’s now late and I think you got to take a cab
home. I will buzz you when I get home. For now I have
some errands to run.’ Akadaro Mike achipa Ropa an
assurance.

‘It’s late Mike and I can’t leave you alone. I am very


worried. You have not been yourself the entire time.
Please let’s go home darling.’ Akadaro Ropa akatarisa
Mike achiteterera.

‘I will buzz you. Go home now. There is no need to start


this unnecessary arguments okay,’ akadaro Mike
achitofamba kubuda paJoina City. ‘It’s okay babe.

29
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

Please take care of yourself. Don’t forget to cal me when


you get home.’ Ropa akataura kumudiwa wake atoona
kuti zvenharo naMike zvakanga zvisina kwazvaivasvitsa.
Vaviri vanobuda pamwechete asi pfungwa dzaMike
dzakanga dzatova kumba kwaive nechitunha chaLaura.
Mike akanga atove nezano rekutsvaga petrol yekunoisa
mumotokara yaRopa kuti akwanise kunotakura chitunha.
Chimwe chakamunetsa chaive chekuti ndekupi
kwaaikwanisa kunorasirachitunha chaLura uye
aizozvifambisa sei kana paine zvinenge zvotanga kuitika
muupenyu hwake nekuda kwechitunha ichi.

Mushure mekunge Rpa aenda Mike anobva atora cab


akananga kuKuwadzana kwaaigara. Akapfuura
nepaservice station achidirirwa mafuta emotokari kuti
agozokwanisa kuita zvaakanga afunga. Mota
yakarohwaneguva isipi mukomana akanga atsvika
mumusha weKuwadzana. Akatora jerry can raakanga
aisa mafuta emotokari kwakupinda muyard. Haana
kusvikopinda mumba kana kuongorora kuti pakanga
pakamira sei. Akangosvikovhura motokari
kwakudhonzza kasimbi kanovhura panoiswa napo petrol.
Mukomana akadira mafuta mumotokari ndokuona fuel
gauge yatokwira. Akambomira akatarisa motokari
yemudiwa wake ndokutura mafemo.

30
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

. CHAPTER 5

Laura aive musikana ane makore makumi maviri


nemaviri (22 years) ekuberekwa. Akange akaberekerwa
kuNhowe Mission kwaMurewa uye aive iye
mwanasikana oga wavaMuchena. Mumhuri mavo vaive
vakangoberekwa vari vatatu iye ari wepakati. Moses
ndiye aive dangwe raVaMuchena uye akanga abve zera
ava nemakore makumi matatu nemana (34 years) uye
akanga akawanawo tsavarakadenga yake yainzi Ruby
yaive mwana wamufundisi veimwe kereke yaive
ichangosimukira yaive muguta reHarare.Uyu Moses aive
muchiuto ari colonel. Moses aiteverwa naLaura kozouya
gotwe remumba mavo rainzi Tichaona aive nemakore
gumi nemaviri (12 years) ari murugwaro rwake
rwechinonwe paChengu primary school yaive muguta
reHarare.

Laura aive iye mboni yeziso revabereki vake pamwe


nehanzvadzi dzake nekuti ndiye aive musikana ari ega.
Mwanasikana akanga akurira muguta reHarare vachigara
kuEngineering kumalines aripedyo neMhizha primary.
Kuchikoro akadziidza paChengu uye aive ari pakati
nepakati kuchikoro. Aive shasha kuzvidziidzo
zveAccounts. Mukukura kwake haana chaaishaya nekuti
vabereki vake vaiita zvese zvavaigona kuti mwanasikana
31
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

wavo ararame hupenyu hwakaswatuka. Laura aive


chidadiso chemhuri yekwaMuchena nekuti haana kana
zuva rakamboitwa kutsutsumwa nekuda kwemafambiro
ake. Mhuri yekwaMuchena yaive mhuri yaitya Mwari
nekudaro Laura akangokura achiteedza tsika dzaakanga
akadziidziswa nevabereki vake.

Mwanasikana akakunda muzvidzidzo zvake


zvesecondary akapfuurira mberi nezvidzidzo zvake ari
paUZ. Paaiita gore rake rekutanga paUZ zvinhu zvose
zvaifamba zvakanaka. Aive nemuono wekuenda kure
nedzidzo yake uye aida kuti vabereki vake varambe
vachidada naye. Gore raakatanga kuita zvidzidzo zvake
zvePolitical Science ainzwa kuzipirwa nemabhuku.
Muono wake waive wekushandura zvinhu kuburikidza
nekubata pamwe nevamwe vanoongorora
zvematongerwo enyika. Aiwanzifarira kutaura achiti: I
want to be an active voice to fill in the void that exist in
our political landscape. Laura mugore rake rekutanga
akanga otozivikanwa paUZ nekuve active munyaya
dzematongerwo enyika. Paakazoenda kunopedzesa
zvidzidzo zvake aripaMidlands state university akanga
otozivikanwa zvakanyanya nekumiririra kodzero
dzevadzidzi zvekuti vanhu vazhinki vakanga
vakatomupa zita rekuti The Hawk.

32
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

Mwanasikana uyu akanga asina nguva yekupinda


marelationship asina tsarukano kana ramangwana
rakajeka. Akangew akatsidza kuvabereki vake kuti
aisazovanyadzisa uye aida kuti vadade naye pamwe
nekukwiridzirawo mhuri yavo. Laura aive musikana
aifarirawo zvekubuda achimboenda kunofaranevamwe
vake kunyanya pavanenge vamboita break yeSemester.
Aiwanzofarira kuenda kumaSafaris, game parks
nedzimwewo nzvimbo dzaaiti dzaiita provide a serene
environment which is peaceful and magnificently scenic.

Paakapedza gore rake rechipiri ave kugadzirira kutanga


gore rake rechitatu Laura akasangana nemukomana ainzi
Luke Ranganai aizivikanwa nezita rekuti Master. Vaviri
ava vakasangana paHigh Glen shopping Mall apo Laura
akanga aenda kumbonotsvaga zvaidiwa kumba kwavo.
Zuva iri akangomukawo akafara achitoimba hake nziyo
dzekurumbidza musiki. Amai vake vaivewo munhu aida
mhuri yavo asi zvezuva iri zvakavashamisa nekuti
vakanga vasati vasati vamboona mwanasikana wavo
achifara sekufara kwaaiita zuva iri.

‘Mukati kwakanaka here nhasi maSibanda kumuka


makafara zvakadai?’ vakabvunza amai Muchena
vachinyemwerera havo vakatarisa mwanasikana wavo.
Vaiti vakamutarisa vaiita sevachadonha misodzi
nekufara. Waiti ukavaona waitoti mukoma nemunin’ina

33
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

nekuda kwekufanana uye kuwirirana. Yaive tsika


nditsikewo mai nemwana.

‘Kungaipei nhai amai?’ akadaro Laura achinhonga


mutsvairo waive muberere memba.

‘Ndaona mafariro amakaita nhasi ndikati ko denga


rakatirongerei. Kashoama kukuona wakafara zvekupinda
denga rechinomwe kudai uchirumbidza musiki. What’s
with this day my darling daughter?’ mai Muchena
vakabvunza vachitofamba vakananga paive pakamira
mwanasikana wavo. Zvechokwadi waiti ukavatarisa
waitofunga kuti varumudzani. Amai Muchena havaiita
semunhu akange akazvara vana vatatu vakange vatobve
zera. Vaitotaridza semunhu akazvara kamwechete.
Mvura paive pamusha payo zvekuti kana vakomana
vechidiki vaitombomedzera mate munhu akanga aguma
ura.

‘Kungofarawo hangu amai. Ndingatadze kufara ivo


Mwari vakandipa vabereki vanenge imimi here?’
akadaro Laura achipuruzira ruoko rwaamai vake chiso
chake chichipenya nemufaro. Amai Muchena havana
kugutsikana nemhinduro iyi. Mwanasikana wake akanga
ava mhandara yakanga yaibva zvekuti akanga
asingashaye anotsvetsva saka vakangofunga kuti ndicho
chikonzero mwanasikana wavo aifara kudai. Kana naivo
vakanga vakabva neko saka vainzwisisa kushanduka

34
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

kwaiita mood yemwanasikana kazhinji kana apinda


murudo.

Mai Muchena vakanyemwerera vakatarisa Laura


ndokubva vatanga kufamba havo vakananga mumba.
Vakasvikomira pamusuwo wemba ndokutendeuka
vachitarisa Laura. ‘Ndanga ndakanganwa. Utore $50 iri
muspare mabhudhi vako ugomhanya paHigh Glen
unotenga zvinhu zvemumba. Hanti waona chikafu
tagundurutsa hamuchina kana chinhu. Moses unomuziya
tingasvika tikadyiwa pano apa nemwana
wekwaMuchena,’ vakadaro vachiraira Laura ndokubva
vapinda zvavo mumba vakunopedzesa basa ravo
ravaiita.

Laura akabva asiya zvaaiita kwakumhanya kunogeza.


Semwanasikana akatora nguva yake achinyatsogeza.
Apedza akati atangana neimwe ndima
yekuzvishongedza. Apedza akazviringa pachiringiro
ndokubva anyemwerera. Zvekuchokwadi runako rwese
rwakabva rwabuda. Akanga akapfeka dress rake dzvuku
raive nebhande reblack nechain yegold nechekumusoro
uku. Mwanasikana akabuda ndokuenda kuspare
achinotora mari yaakanga arairwa ndokuonekana naamai
vake akananga kumashops ekuHigh Glen. Mwanasikana
akafamba hake zvakanaka ndokusvikotenga zvaaida.
35
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

Akati apedza kutenga zvaakanga arairwa akabva ati regai


ndinhongewo kaperfume ndikandewo panezvandatenga
ndokunanga hake patill. Akasvikochaisa zvaakanga
atumwa akazopedzesera neperfume yaakanga atenga.
Akatarisa pascreen yepaTill akaona yakati $53.60. chiso
chake chakabva chashanduka kutaridza kubatikana.
Akabva ati kune musikana aive patill abvise perfume
ochaya zvimwe zvese.

‘Please don’t. I will settle the bill.’ Akashamisika


akunzwa izwi rechirume kumashure kwake.
Akatendeuka achida kuona kuti aive ani asi haana
kumuziva.

‘No I can take care of my bill. Don’t worry. Thanks.’


Laura akadaro achibvisa perfume iya. Mukomana uya
haana kukakavara akabva angoramba akamira Laura
ndokuchaisa zvinhu zvaakanga atumwa ndokubuda hake
ava kuenda. Mukomana uya akabva asara achichaisawo
zvinhu zvaakanga atenga asi akabva awedzera perfume
iya. Akati achingopedza akabva abuda ave kutsvaga kuti
tsvarakadenga iya yaive yafamba sei asi haana kumuona
paMall.

Jaya rakabva rafamba haro richienda kuParking Lot


kwaakanga asiya motokari yake. Akati achingosvika
paParking Lot akabva aona Laura avakutoyambuka
mugwagwa ari chinhambwe. Shasha yakamutsa
36
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

motokari kwava kuitsika akananga kwaakanga aona


mwanasikana uya. Hazvina kutora nguva semunhu
aityaira akabva asvikomisa motokari pamberi
pemhandara iya.

‘I am sorry you forgot your perfume.’ Akadaro


mukomana uya achitambidza Laura perfume iya.

‘I am sorry I have not paid for that perfume. It would be


an act of dishonest claiming what I have not paid for.’
Akadaro Laura.

STAY BLESSED.

I LOVE YOU ALL. YOUR COMMENTS ARE


GREATLY APPRECIATED

[2/3, 11:56] Professor Ngugi WaMkirii: WHO KILLED


LAURA

STORY BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

CHAPTER SIX

37
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

Mukomana uya akaramba akatarisa tsvarakadenga iyi


asisina kana neremuromo. Pane zvakatanga kuuya
mumusoro make nekuda kwematauriro
etsvarakakadenga iyi. Chekutanga akafunga kuti aive
mumwe wevasikana veusiku vaya vanoti kana
kwakachena vanoita nengirozi chaidzo kupfeka hunhu
hwavasina. Chechipira vakave nepfungwa dzekuti
tsvarakadenga iyi yaida kuita play hard to get chete asi
nechemumwoyo ichitofara kuti yakanga yawana mhene
inofamba nemota. Chaasina kuziya mukomana uyu
ndechekuti musikana waaitaura naye aive munhu
akazvibata uye asina kana nguva yezvisina maturo.

‘I know you have not paid for it. I paid for it because I
realized you need the perfume. Unfortunately your cash
wasn’t sufficient. It was only $3.60 and it’s not a big
deal. Take it.’ Akadaro mukomana uya akatambanudza
ruoko achitambidza tsvarakadenga iya perfume iya.

‘Like I said, thank you but I do not accept gifts from


strangers.’ Mwanasikana akadaro kwava kutodhanaira
achifamba kubva pamotokari iya. Mukomana akaona
kuti zvinganetse kwakubuda mumugwagwa
nekunyatsopaka motokari yake yaive BMW yeblack
yaive neRegitration plate yakanzi MASTER. Akabva
adzima engine yemotokari ndokufamba akananga
kwaive netsvarakadenga iya. Zvaitaridza kuti musikana

38
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

uyu aive akananga nechekuHighfield kanaGlen Norah


nekuti akaramba achitevedza High Glen road.
Mukomana akazivawo zvakare kuti kuedza kumupa lift
zvakanga zvakafanana nekuteya nzou neriva. Akazoona
kuti zvakanga zvisisade kuwanza mbo padehwe reshindi
saka aifanira kutoita semurume.

‘Listen to me my sister. My name is Luke Rungano. I am


from Mount Pleasant Heights. Does this beautiful
princess has a name?’ akadaro achitaura ariparutivi
petsvarakadenga iya.

‘Why do you have to bother yourself with all those


banalities. I don’t talk to strangers. Let that get into your
head. If you don’t mind excuse me.’ Tsvarakadenga iya
yakadaro yakutowedzera kukanda tsoka.

‘I understand you. At least accept this harmless token


and take my card.’ Akadaro Luke achitambidza
musikana uya perfume necard rake. Tsvarakadenga iya
yakazongotora card riye neperfume ndokubva
yayambuka kuenda kune rumwe rutivi rwemugwagwa.
Luke akasara akamira kune rimwe divi remugwagwa
pfungwa dzake dzave bara ramhanya. Muupenyu hwake
akanga asina kumbobvira asangana nemusikana akadai
uye akanga asita ambobatiswa pasi sezvaakaitwa
netsvarakadenga iyi. Izvi zvakabva zvamupa samba
rekuda kutsvaga zvakawanda pamusoro pemusikana uyu.
39
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

Luke aive murume wechidiki aive nemakore makumi


maviri nemana(34 years) okuberekwa. Akanga akurira
kunzvimbo dzinofefetera muBorrowdale. Nzvimbo
dzisina ruzha kana mheremhere. Vabereki vaLuke
vakange vari kumhiri kwemakungwa kuAmerica uko
kwavaigara pamwe nekusevenza sanachiremba. Iye Luke
akanga akakundikana muzvidzidzo zvake zveO’ level
saka akabva angogumira ipapo ndokutanga kuita manage
mabhizimusi evabereki vake aive muguta reHarare.

Mari ndopaive pamusha payo asi mukomana uyu akanga


asina musoro zvachose nekuti munhu aifarira mafaro
zvakanyanya. Mabhizimisi akatombosvika pane imwe
nguva yaakatombodonha asi vabereki vake vakazotsvaga
munhu ainzwisisa zvebusiness kuti abatsire Luke.
Mumhuri mavo vakanga vangori vairi chete iye
nemunin’ina wake Frank aive nemakore makumi maviri
nemaviri(22 years) uyo aiita zvekutenga nekutengesa
midziyo kubva kuSouth Africa. Vaviri ava vaive
vakatosiyana nekure. Kunyangwe zvazvo Frank aive
akakundikana zvidzidzo samukoma wake, haana
kukundikana muupenyu. Munhu aizvishandira uye aidya
zveziya kusiyana naLuke aitoita kuti bhizimusi rigare
ririmuzvikwereti.

40
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

Luke akatarisa tsvarakadenga iya ichienda hayo asi


mumwoyo make akazviudza kuti haakundikane.
Akazviudza kuti aizoita zvese zvaaigona kuti akwanise
kuba mwoyo wemwanasikana uyu. Ko mari ndopaive
pamusha payo uye hapana kana musikana akambenge
amuramba sezvaakaitwa netsvarakadenga iyi. Akamboita
pfungwa yekuramba achitevera kuti aone kuti aigara papi
chaipo asi imwe pfungwa yakamuti vachazosangana
nerimwe zuva.

Akafamba achidzokera kumotokari yake. Akapinda


kwakuisa key muignition ndokubva amutsa motokari
yake. Akaitsika akananga nekwakanga kwaenda
netsvarakadenga iya. Akabva aona musikana uya
achangoyambuka pamarobots epanaWillowvale. Akabva
amumirira pamhiri pemarobots. Akaona kuti mhandara
iya haina kufara kumuona zvakare.

‘My sister just allow me a priviledge to know your name


and giving you a lift home. I will not bother you any
more. Just knowing the name of such astonishing beauty
is enough. You will never see me bothering you. The
extent of my knowledge regarding angels is confined to
Gabriel and Michael only. I think you are the angel of
beauty. Please.’ Akadaro Luke. Mhandara iya yakabva
yamira. Luke akaona yavakunyemwerera. Hana yake
yakarova paakaona tukomba twaive pamatama ake uye

41
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

mazino aive akachena zvaipedza simba


akanyatsoyenzana.

‘What language do you understand?’ tsavarakadenga iya


yakabvunza Luke yakabata muchiuno rimwe ruoko
rwakarembera nekuremerwa.

‘Any language.’ Akadaro Luke.

‘Then go to hell.’ Akadaro musikana uya avakutofamba


kuenda.

‘Okay at least I can take you home. We drive in silence.’


Akadaro Luke achiteterera. Tsvarakadenga iya yakabva
yamira kwakumutarisa ndokuti, ‘Promise you will not
say a word until I tell you where to drop me.’ Akadaro
mwanasikana.

‘I promise.’ Akadaro Luke achivhura door kuti musikana


uya apinde. Mota yakazorohwa yakanaga kuEngineering
mwanasikana ndokusiiwa pamaterminus epaCanaan.

‘Drop me here. Thanks for the lift Luke. I am grateful,’


akadaro achidzika mumota. Ava panze akabva atarisa
zvakare mukomana uya. ‘thank you once again for the
perfume. Stay blessed. Call me Laura.’ Akadaro
kwakubva atanga kufamba zvake achienda kumba
kwavo. Luke haana kuzombomira nguva yakareba
akabva arova motokari yake akananga mutown.

42
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

Laura akasvika pamba akatoona amai vake vakagara


zvavo paveranda varimushishi kufurura muboora.
‘MaSibanda madzoka. Mafamba zvakanaka here?’
vakadaro mai Muchena vachitaura nemwanasikana
wavo.

‘Hongu amai ndafamba zvakanaka.’ Akadaro Laura


achipinda mumba kunosiya zvinhu zvaakanga aenda
kunotenga.

‘Ita uuye pano mwanangu pane good news dzandoda


kukuudza.’ Vakadaro mai Muchena. Laura anobva aiita
chimbi chimbi kupinda mumba kuti anzwe nhau yaida
kutaurwa naamai vake.

43
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

CHAPTER 7.

Laura anopinda mumba ndokurongedza zvinhu


zvaakanga atenga. Anobva abvisa perfume iya yaakanga
apiwa naLuke kubva mupaperbag oitarisa
achinyemwerera hake. Pfungwa dzake dzinobva
dzambodzokera kumashure pachiitiko chezuva iri.
Mwanasikana anotanga kufungisisa pamusoro
pemashoko aLuke. Anotanga zvake kutaura ega
arimubutiro rendangariro.

‘Guys like Luke have a notion of thinking that money


can buy love. And besides he thinks he can buy my trust
with a perfume. The best thing that I have to do is to
throw this away and by not wearing it I would have
washed my hands off the gift he has given me. Love
does not come so cheap. Man who move around flashing
everything that they ave do not deserve the love of
women of my caliber…’ anobva adimburirwa pfungwa
dzake naamai vake vakanga vavakumudaidza.

‘Lo! Muchirikuitei nhai MaSibanda?’ vakadaidzira mai


Muchena vakagara zvavo paveranda vatyopedzawo
kufurura muboora wavo.

‘Ndirikuuya amai ndatopedza kurongedza zvamanga


mandituma. Mukati kudhura here kurikuita zvinhu
kuHigh Glen. Dai ndandaenda kwaMussa zvingadai
zvaita nani.’ Akadaro Laura achitofamba achibuda
mumba akananga paive pakagara amai vake.
44
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

‘Gara necheapa,’ vakadaro mai Muchena vachizvuva


rukukwe kuti mwanasikana wavo agare. Laura agara
parutivi paamai vake semwana akanga akadziidziswa
akanzwa. Anokunya hembe yake oipfekera pakati
pemakumbo obva apfunya rusero.

‘Ndauya mhamha. Mukutaridza kufara chii chamyanya


kukufadzai kudai?’ akabvunza amai vake
achinyemwerera kutaridza kuti aive akamirira kunzwa
zvaida kutaurwa naamai vake.

‘Ndafonerwa nehanzvadzi yako Moses achiti anzi aende


kunoita course yechiuto kuChina uye mari yake yaanga
achiwana yawedzerwa. Anga achiti pane mukana wekuti
akapedza course yaarikunoita anosvika achikwiridzirwa
kubasa kwake.’ Vakadaro mai Muchena vazere nekufara.

‘Aah mhamha ichokwadi here chotaurwa nabhudhi


Moses?’ akadaro Laura achotoseka zvake.

‘Angatambe nezvinhu zbvakadaro here. Ati ubva


wabatsira maiguru vaku kurongedza zvinhu zvake nekuti
arikusimuka mangwana mamngwanani.’ Vakadaro mai
Muchena vachitosimuka pavaive vagere. Laura anosara
akagara zvake achifunga zvakanga zvataurwa naamai
vake maringe nehanzvadzi yake.

‘Laura!’ rakadaro izwi reumwe musikana aidaidzira ari


kunze kwegate. Laura anosimudza musoro obva aona
shamwari yake Ndaizivei ichisvika. Laura haana

45
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

kumboita nguva akagara akabva asimuka onanga kugate


kwakanga kuina Hazvinei. Hazvinei yaive shamwari
yake kubva vachiri vadiki uye vainzwanana
zvakanyanya.

‘Urisei Hazvi?’ akabvunza shamwari yake achitaridza


kufara kumuona.

‘Am okay sis. Hausi kubatika zvekumhanya wanga


waendepiko?’ Hazvi akabvunza shamwari yake
achitozembera hake pole repagate panaLaura.

‘Ndiripo hangu dear. Ndambenge ndaenda kuHigh Glen


kunotsvaga chikafu chemumba. Apa ndine
maziassignments hobho.’ Akadaro Laura achitomirawo
pagate avekutaura neshamwari yake.

‘Okay dear. Guess what?’ akadaro Hazvi achitaridza kuti


aive nemazinyaya aaida kuudza shamwari yake.

‘What?’ akabvunza Laura achitaridza kudokwairira


kunzwa nyaya.

‘I was with Rungano today. He is such a gentleman. He


spoiled me big time.’ Akadaro Hazvi achinyaririra.

‘Who is Rungano sweetheart?’ Laura akabvunza.

‘Aah you have already forgotten the guy I told you


about. Anonzi Master. He asked me to marry him.’
Akadaro Hazvi achitsanangura kushamwari yake.

46
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

‘You told me about him but I have not met him. And
what did you say to him?’ akabvunza Laura achiswedera
pedyo neshamwari yake. Akanyatsoona kuti Hazvinei
aive azere nemufaro nekuda kwaMaster. Laura akabva
arangarira zuva raakaudzwa naHazvi kuti akanga
azvibatira mhene yake yainzi Master yaive nevabereki
vaive mhiri kwemakungwa. Sekunzwa kwaakanga aita
Master aive mukomana ari decent uye aine rudo
rwechokwadi. Hazvinei naMaster vakanga vatova
nemwedzi yaikwana kuita mitanhatu vachifambidzana
asi panguva yese iyi Laura akanga asina kumbobvira
aona vaviri ava vari vese. Chaaingoziva inyaya
dzaaingoudzwa naHazvinei dzekwavanenge vaswera.

‘I told him that I want to think about it. I slept at his


place yesterday and he dropped me home nhasi
makuseni.’ Akadaro Hazvi achinyara nyara.

‘Don’t tell me you did it.’ Akadaro Laura achitaridza


kusafarira zvaakanga anzwa naHazvi.

‘Aah kuti ndokekutanga here. Tatove netime making


love and what’s the big deal? He is going to marry me
after all.’ Akadaro Hazvi achtoseka hake. Laura
akafinyamisa kumeso akatarisa shamwari yake.

‘I did not know that you would stoop so low as to


prematurely throw yourself to a man without knowing
him fully well. Are you so desperate to get married
Hazvie?’ akadaro Laura achitsiura shamwari yake.
47
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

‘Don’t start Mother Mary. Don’t start lecturing me.


Spare me all that talk. Ndakura shamwari ndoziya
zvakandinakira nezvakandiipira. Imimi idyai mabooks
isu today cash. Soon I will be a mother…’akabva
adamburirwa panzira naLaura.

‘Are you pregnant?’ Laura akabvunza shamwari yake


akabata muromo kutaridza kushamisika.

‘Yes I am pregnant Laura.’ Akadaro Hazvi achipuruzira


dumbu rake.

‘Does he know?’ Laura akabvunza achitaridza


kushushikana nekuda kwezvaakanga anzwa shamwari
yake ichitaura. Zvakamubata zvakanyanya nekuti akanga
asinganzwisise vakomana vemazuvano. Akaramba
akatarisa shamwari yake misodzi yake yatova pedyo.
Vaviri ava vakanga vakura vese zvekuti Laura ainzwisisa
shamwari yake zvakanyanya. Uyu Hazvinei akanga
akafirwa nababa vake mushure mekunge vaita vawirwa
nemugodhi kumine kwavaishanda muBindura ndokubva
vangotsakatikira pasi ipapo. Kana kuvigwa havana
nekuti yaive underground mining yakaita collapse
vakabva vangofira ipapo. Akasara achigara naamai vake
nemunin’ina wake akange aine makore mapfumbamwe
ekuberekwa. Amai vaHazvinei vaive mupurisa muguta
reHarare vachiseenzera kuMabvuku Police station.

‘No. He doesn’t know yet. I want to surprise him when I


meet him this coming weekend.’ Akadaro Hazvinei.
48
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

‘Be careful my sister. Ndoona sekunge wakazvimhanyira


izvi.’ Akadaro Laura achinyeurira shamwari yake asi
mwoyo wake waive nekurwadziwa. Hazvinei
akatotaridza kusave nehanya nezvaaiudzwa neshamwari
yake. Vaviri ava vanozoparadzana panguva yakasvika
Moses achibva kubasa.

‘Iwe Laura ndiHazvie here wawanga uchitaura naye


uyo?’ Moses akabvunza achipinza motokari yake
mugate.

‘Hongu ndiye wandanga ndichitaura naye.’ Akadaro


Laura.

‘Yeah I wish I was not married shamwari yako


irikubatana heavy.’ Akadaro Moses achitoseka hake.
Anopaka mota yake odzika achitambidza Laura kabag
kake kekubasa. Vaviri ava vanotungamidzana kupinda
mumba vachitoseka zvavo.

Laura mupfungwa dzake akave nekushushikana kukuru


nekuda kwezvaakanga anzwa neshamwari yake. Haana
kuzvigamuchira zzvakanaka. Akatanga kuzvibvunza kuti
Master Rungano aimbove ani uye aiita nezvei
muupenyu? Akazvibvunzawo kuti sei Hazvinei akanga
akamuvanzira nezvenhumbu yake nguva yese iyi uye sei

49
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

akazomuudza nekuda kwekuti akanga anzi naMaster will


you marry me? Kana aiziya kuti ane pmuviri sei asina
kubudira Master pachena uye sei aizidakuudza Master
papera nguva yakareba kudai? Master wacho
aizozvigamuchira here kana kuti aive mumwe
wevakomana vaya vaida zvekungotambisa vasikana
vosiya. Laura zvakamunetsa kupindura mibvunzo yese
iyi. Akangoti nechemumwoyo tichaona kunowira
tsvimbo nedohwe kwakuederera mberi nezvaakanga anzi
naamai vake agozoita. Moses aifanira kusimuka zuva
remangwana achienda kunokwira ndege yekuenda
kuChina.

50
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

CHAPTER 8

Luke akafara zvikuru kuwana zita retsvarakadenga


yaakanga asangana nayo kuHigh Glen. Akava
nechivimbo chekuti aizowana zvakare mukana
wekutaura naLaura. Pfungwa dzake kubva panguva
yaakaona musikana uyu dzakanga dzotofunga zvemba
chaizvo. Aiziva kuti kufara akambofara uye yakanga
yava nguva yekuti achitanga kuronga hupenyu hwake
zvinetsarukano. Munamato wake waingova wekuti dai
tsvarakadenga iyi ikangomufonera sezvo akanga amupa
business card raive nenhamba dzake dzenhare. Paakabva
kuHigh Glen akabva ananga mutown umo aida
kumbobata bata zvebusiness rake. Aive akaronga kuti
manheru acho aizoenda kuNorton uko aifanira
kusangana naRodrick. Mukomana hazvina kumutorera
nguva yakareba kuti asvike mutown. Nguva dzakanga
dziripo mumugwagwa musati mawanda traffic. Akasvika
paoffice pake ndokungotarisa tsamba dzakanga dzirimo
dzakanga dzasvika asipo. Aingotarisa kuti yabvepi
okandira kwakadaro uko asingapindure. Akazochaya
runnhare kune musikana ainzi Gracious aive secretary
wake.

‘Gee, can yu come to my office in a jiff?’ akadaro Luke.

51
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

‘Okay sir. I will be there in a second.’ Akadaro Gracious


arikureception. Musikana uyu haana kumbotora nguva
yakanyanyowanda asati aenda kuoffice kwaLuke.

‘I am here sir. Do you need anything?’ akabvunza


akamira pamberi pedesk raLuke. Office yaLuke yakanga
yakakura zvakanyanya. Mukati mayo yaive
yakashongedzwa zvaingotaridza kuti yaive office
yemunhu ane mari dzake. Kumadziro kwaive kwakaiswa
matiles machena aivaima nekuchena. Midziyo yaivemo
yaive yerudzi rweMukwa nemahogany, zvaitaridza kuti
zvainyatsobatwa zvakanaka. Maive ne air conditioner
yaiita kuti mugare muine kamhepo kaifefetera zvakanaka
zvekuti kana usina kujaira waigona kubatwa nehope
chaidzo.Kumadziro kwaive newatch dziya hombe
dzakakotwa negold chairo kwete rekunyepera.

‘Yes I called you. Wanted to ask kuti hapana mapepa


ambouya here neveSLAC?’ akabvunza Luke
achirovarova muromo wake nechinyoreso chaaive
akabata mumaoko.

‘Hapana ambouya nhasi. Maybe later in the day. Do you


remember you have a meeting today nevanhu varikuvaka
shop kuSam Levy.” Akadaro Gracious.

‘That had eluded me. Thanks for the reminder. I will go


there right away.’ Akadaro Luke achigadzirisa hembe
yake. Aitarisa Gee neziso raive nechirevo. Iyewo
Gracious wacho mapfekero aakanga akaita zuva iri aive
52
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

emhando yepamusoro. Luke aitonzwa musoro wake


kutemerera nekuda kumbonzwa kuti Gracious aive
akambomira sei.

‘Is that all sir?’ akabvunza Gracious achiita seakuda


kutobuda muoffice.

‘Yeah. That will be all for now,’ akadaro Luke. Gracious


akabva atanga kufamba achibuda iye Luke
akangomuyeva. Dai akaziya kutariswa kwaakanga
akaitwa neshasha iyi angadai akadonha nekunyara. ‘by
the way, there is something I wanted to discuss with
you.’ Akadaro Luke apo Gee akanga avakuda kutobuda
muoffice. Mwanasikana akamira pamusuwo
kwakucheuka achitarisa boss vake.

‘Yes sir.’ Akadaro Gracious.

‘Come and sit. I can’t discuss this with you while you
are standing.’ Akadaro Luke. Gracious anofamba
achidzokera muoffice ndokusvikodhonza chigaro chaive
kune rumwe rutivi. Luke anotanga kurumaruma
chinyoreso chake achishaya kuti otangira papi.

‘You see Gracious, there is something I have been


longing to tell you for quite a long time, but could not
summon enough courage to tell you.’ Akadaro Luke
achisimuka paakange akagara kwava kufamba achienda
pawindow reoffice yake rakanga rakatarisa mustreet.
Akatarisa hake panze achiona zvaiitika panze.

53
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

‘What is it sir? You can say anything I am all ears.’


Akadaro Gracious akatarisa boss vake avo vakanga
vakafuratira kwaari vakatarisa panze.

‘You see, we are now two adults, perhaps both learning


to fly independently. I know there is a vacuum in either
of our lives. A avoid that will remain as empty as ever if
not expressed.’ Akadaro Luke akangotarisa panze
achiona hake vanhu vaimhanyidzana nemabasa avo
muguta reHarare.

‘I don’t understand what you are saying sir.’ Akadaro


Gracious achitadza kunyatsobata kuti nyaya yaboss vake
yaibvepi ichiendepi.

‘I know you may not understand what I am saying at the


moment, but with time you will understand. Can I ask
you apersonal question and would you give me an honest
response to it?’ Luke akabvunza achitendeukira kutarisa
kwakanga kuina Gracious.

‘Okay.’ Akapindura mwanasikana.

‘Besides being your boss, do you feel anything towards


me?’ Luke akabvunza akaisa maoko muhomwe akatarisa
Gee. Akazviona kuti mubvunzo uyu wakavhundutsa
mwanasikana asi haana kuda kuzvitaridza kuti akanga
aona kuvunduka kwake.

54
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

‘With all due respect sir, I think our relationship has to


remain within the professional confines. The question
you have just asked me is beyond my scope of
comprehension. Can I be excused?’ akadaro
mwanasikana avakutosimuka paakanga akagara.

‘Don’t walk out on me Gee. Listen to me for a moment


then make your judgement. I feel your heartbeat is
intertwined with mine. There is this telepathical
coexistence between us. I have feelings for you and to be
precise will you marry me?’ akadaro Luke achiburitsa
ring yakanga iri muhomwe make. Gracious akaramba
akanyarara akatarisa mwanakomana aitaridza kuti aive
murudo. Zvakatorera Gee nguva kuti apindure
zvaakanga abvunzwa nekuti akanga asina kana
kumbozvifungira.

Luke akafamba zvinhanho zvakati kuti


ndokusvikopfugama pamberi paGracious. Panguva iyi
Gee akanga otofungawo dzimwewo pfungwa.
Mwanasikana akava nemibvunzo yakawanda. Boss vake
aimbovaona nevasikana vakawandawanda vamwe
vaitopfeka sezvifeve vakazvigadzira kumeso nemaface
powder ekuti kumeso kwavo kwaiita semumbe yatunga
churu. Akatangawo kurangarira zuva raakambonetsana
naLuke mushure mekunge apoinda muoffice asina
kugogodza akawana Luke ari mushishi kushandisa office

55
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

yake seimba yesikiro. Zuva iri akashurwa akaita


seachanyura pasi. Akarangarirawo zvakare
zvaakamboudzwa neumwe wevasikana vaboss vake.
Akanzwa mwoyo wake kurwadza. Paakazobva mubutiro
repfungwa iri anoona Luke akapfugama akatambanudza
ruoko rwake achimirira mhindura yake.

Gee akaona zvichimuremera mushure mekunge afunga


zvakawanda nekuda kwemafambiro aboss vake. ‘I am
afraid, I can’t marry you sir.’ Akadaro avakutofamba
kuda kubuda muoffice. Pakarepo Luke akabva asimuka
paakanga akapfugama kwakuvharira Gee kuti
asakwanise kubuda. Apa nguva dzakanga dzafamba
vanhu vazhinji vatopera kuvhara mahofisi avo. Mvura
yakabva yatangawo kunaya mukomana akati dzawira
mutswanda hadzichanetsi kudyorera.

‘Where are you going?’ Luke akabvunza nezwi raive


neukasha mukati. Gracious akabva atozviona kuti boss
vake vakanga vatochinja. Kana kutaura kwaive nerudo
mukati kwaaiita kwakabva kwapera. Gracious akava
nechokwadi chekuti akasabvuma zvaidiwa naLuke
aigona kupedzesera abatwa chibharo. Akatarisa
chiringazuva chake akaona kuti nguva dzakanga
dzafamba. Hana yake yakatanga kurova. Pakarepo
nharembozha yaLuke yakabva yazhamba. Mukomana
akatora nharembozha yake kwakutarisa kuti ndiani

56
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

akanga afona. Akangotarisa akabva aridza tsamwa


achidzorera nharembozha yake muhura hwebhachi
raakanga akapfeka.

57
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

CHAPTER 9

Usiku uhwu Laura haana kurara achifunga nezverwendo


rwehanzvadzi yake. Aifanira kumuka mangwanani
achiperekedza hanzvadzi yake kuAirport. Pfungwa
dzake dzaive dzisina kugadzikana nekuti aiziva kuti
Moses ndiye aive akabata musha wavo uye kusavepo
kwake kwaiita kuti agare akasurukirwa. Nerimwe divi
aifara nekuti aiziva kuti hanzvadzi yake payaidzokawo,
zvaireva kuti hupenyu hwavo hwaiendawo pane chimwe
chidanho.

Kwakazosara kwoyedza mwanasikana atopedza


kugadzirira hanzadzi yake. Moses paakamuka akatoona
mvura inodziya yatoveko kubath. Moses akafara zvikuru
nekuti hanzvadzi yake yaimubata sezai chairo. Vaviri
ava vaive tsika nditsike uye Moses akatonzwa mwoyo
wake kurwadza kuti aizenge arikure nehanzvadzi yake.
Mushure mekunge Moses apedza kugadzirira pamwe
nekusvusvura kwemangwanani, vakabva vabuda
vakananga kunhandare yendege. Vakafamba zvakanaka
uye havana kuita dambudziko nekuti ticket rendege
rakanga rakatengwa kare. Vaviri vakazoonekana Laura
ava kufamba hake kuti achidzokera kumba. Motokari

58
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

yavakanga vauya nayo yaMoses ndiyo yaaidzokera nayo


achityaira.

Mwanasikana akafamba hake sebhiza akananga


kwavakanga vasiya motokari. Paakati achinoyambuka
mugwagwa waipfuura nemotokari pakabva paita imwe
motokari yerudzi rweHarrier yeive pfumbu yakabva
yamira. Munhu aityaira akabva adeedzera zita raLaura.
Mwanasikana zvakamunetsa kuti ndiani akanga amuziva
nemangwanani akadaro. Akamira ndokutarisa
kumotokari iya asi munhu waakaona haana kumuziya.
Akamboramba akamira achida kuedza kuona kuti akanga
ari ani akanga amusheedza. Akazoona window rremota
rekumashure ravakudzikiswa. Akanyatsotarisisa
ndokubva aona jaya raiv rakapfeka suit yewhite yaive
yakanyatsotsitswa zvineunyanzvi. Jaya riya rakabva
radzika mumota, Laura ndokuramba akangoshama
muromo sezvinonzi aiona chisionekwi. Akatarisa jaya
rakadzika mumota iro raive rakagarwa nesuit yarakanga
rakapfeka.

‘What are you doing here Laura?’ jaya riya rakabvunza


richifamba rakananga paive pakamira Laura.

‘Luke! Is this really you?’ akadaro Laura achitaridza


kushamisika kukuru.

59
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

‘Yeah it’s me. I am going to the airport to meet my


parents. They are landing today on a holiday.’ Akadaro
Luke achinyemwerera kutaridza kuti akanga afara
kusangana zvakare netsvarakadenga iyi.

‘Oh! I see. Was just accompanying my brother who has


just left for China.’ Akadaro Laura achkwazisa Luke
akanga atosvikawo paakanga akamira. Vaviri ava
vakazotaurawo havo dzimwe nyaya sevanhu vakanga
vakamboonana.

‘Can I see you later in the day Laura?’ akadaro Luke.

‘I will be busy today. Maybe some other time.’ Akadaro


Laura achitarisa chiringazuva chake kutaridza kuti
aimhanya.

‘It’s okay. Can I have you contact then so that I will call
you later in the day?’ akabvunza Luke akatarisa Laura
izvi zvaiita kuti Laura asanzwe kugadzikana.

‘I am sorry Luke. I don’t think I can give you my


contact. I don’t mean any offence. Please bear with me.’
Akadaro Laura avakutofamba kuenda kumutokari
yaMoses iyo yavakanga vauya nayo.

‘It’s okay. See you later then.’ Akadaro Luke


achitoendawo kumotokari yaakanga ainayo kuti
vachipinda paAirport. Laura akabva angopindawo
mumotokari kwakuisa key muignition. Nenguva isipi

60
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

akanga atove munzira kudzokera kumba kwavo


kuHighfield. Mwanasikana akarova mota ndokupinda
nemuMbare achitenga madomasi nemapotatoes aakanga
arairwa naamai vake.

Luke paakasara akamboramba akagara mumotokari


make achitaridza kuti akanga abatikana zvikuru
nezvakanga zvaitwa naLaura.

‘Who does this little bitch think she is? She thinks she
can toy around with my feelings and I can just sit and
relax. That does not work in my world. That’s why they
call me Master. I am not called Master for nothing. I rule
the crib. I run the world of women. If I can’t have her,
then no one will.’ Akadaro Luke achipupuma furo
nehasha.

‘Don’t worry boss, will work out something. You will


definitely win her. There is always a soft spot in ladies. I
know the magic sir.’ Akadaro mutyairi wake
achimushingisa.

‘Do you think she will ever change her heart?’ Luke
akabvunza aine kusagutsikana mumwoyo make.

‘Yes she will. I will try to find out more about her and
will give you the information as soon as possible. That
way, you will stand a better chance of succeeding. As it

61
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

stands now, you know virtually nothing about that girl.


Be patient boss.’ Akadaro mutyairi uya.

‘Thanks Martin. That’s why I like you my good friend.’


Akadaro Luke achidzika mumota vavakufamba kupinda
paRobert Mugabe International Airport. Vakafamba
vachipinda mukati kuArrivals kuti agosangana
nevabereki vake. Haana kumbomira nguva yakareba
akabva aona baba vake naamami vake vachitofambawo
vavekutobuda kutaridza kuti vakanga vasvika pave
nechinhambwe. Mukomana akamhanya
ndokusvikombundira amai vake achivakwazisa.

‘Welcome home mum. Dad. I really missed you.’


Akadaro achikwazisa vabereki vake. Amai vake vakafara
zvikuru vachiona jaya ravo rakarova mucheno zvaiita
kuti vanzwe kudada naye. Chakashamisa Luke
ndechekuti vabereki vake vakauya pamwe chete neumwe
musikana aiita semuArab. Akanga asina kumbobvira
amuona muupenyu hwake hwese. Mwanasikana uyu
aive ngirozi chaiyo. Kana mapfekero aakanga akaita aiita
kuti Luke anzwe dzungu chairo. Haana zvaakataura kana
kubvunza. Vakangokwazisana kwava kunanga
kumotokari. Haavana kumboitawo nguva yakareba
vakabva vangosimuka ndokunanga kumba.

Vachisvika pamba Luke haana kumbogara nguva


yakareba akabva abuda achiti aida kunona shamwari
62
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

yake yainzi Rodrick. Mukomana akarova motokari


akananga kuHighfield kwana Laura. Iyo motokari yake
yaibvuma hayo kurova nzira zvekuti haana kumboziva
kuti akanga asvika nguvai apa aiteerera song yaDolly
Parton inonzi Joleen. Luke akanga azvipira kuti
aisazorara asina kuona Laura. Akabva asvikopaka
motokari yake paKarigamombe ndokuwedzera volume
yeradio yake kwava kuradzika seat kuti aite kakuraririra.
Pakarepo akabva abatwa nehope. Akazomutswa
nemunhu aigogodza pahwindo remotokari yake.
Akasimudza musoro mushure mekunga aita
zvekuvhundutswa nekugogodzwa kwaiitwa pawindow
remota. Paakasimudza musoro akabva asanganidzana
meso naHazvinei.

‘Sweetheart ukuitei kuno?’ akadaro Hazvinei achibvunza


mudiwa wake.

‘I am waiting for a friend.’ Akadaro Luke achipindura.

‘It’s okay honey. Since you are here can you accompany
me to see my friend pamalines epamberi apo?’ akadaro
Hazvinei achikumbira kuperekedzwa naMike. Hazvinei
paakanga abva kumba aida kupfuura achiona shamwari
yake Laura obva apfuuirira kuenda kwaMachipisa.

63
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

CHAPTER 10

Mike akapinda mumba kwakutarisa chitunha chaLaura.


Hana yake yakatanga kurova zvakanyanyisa asi akanga
asina kana rimwe zano rekuti aite. Uyu waive munzwa
wakanga wapinda munyama chaimo. Zvakamuremera
kuita zvaakange audzwa asina kuzivisa mapurisa.
Chakaita kuti anyanye kurohwa nehana mashoko
aakanga audzwa nemhondi yakanga yauraya
mwanasikana uyu. Chinhu chakanyanya kubata
mwanakomana uyu kwaive kusaziva kuti ndiani akanga
auraya Laura uye kuti chinangwa chake chekuuya
kuzorasira chitunha pamba pake chaive chei. Mike
akamboedza kufunga kuti ndiani angava nedaka naye
zvekusvika pakumuitira mashura akadai. Hapana kana
munhu waakafungidzira panguva iyi.

Pfungwa dzake dzakatanga kumhanya kufunga kuti


munhu angaite zvivindi zvekuuraya mwanasikana uyu
aigona kunge anyanyoitwa sei naiye Laura uyu. Zvimwe
munhu uyu akanga aine chikonzero chekuuraya
musikana uyu, asi ko sei akazoisa chitunha chacho
pamba paMike. Mike akazvibvunza zvakare kuti sei
munhu uyu akanga afona achimuudza zvekuita, uye kuti

64
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

nhamba dzake dzerunhare akanga adziwanepi. Izvi


zvakamudya mwoyo kwenguva yakati rebei. Mukomana
akagara pamubhedha wake misodzi ichingoti mokoto
mokoto pamatama. Akatora zvakare nharembozha yake
kwakubaya nhamba dzepolice station yeDzivarasekwa.
Akanga aine shamwari yake yaive mupurisa yaisevenza
paDZ. Nhamba dzacho dzakabva dzaramba kupinda.
Ichokwadi chakataura vakare pavakati mudzimu
wakumba chironda wati nhunzi dzikudye. Mike
akazvishairwa pazvo.

Nguva dzakanga dzadyana, kunze kwatokwidibira


nerima. Mike akabva asimuka kwava kufamba akananga
pachitunha chiya. Ropa raive paakanga akabaiwa
rakanga ratogwamba. Mike akabva atanga kuongorora
mutumbi wemwanasikana uyu. Akatanga kuona kuti
muhuro make maive makasvuuka zvaitaridza kuti
anenge akambodzipwa netambo iya yatinoti
strangulation. Akaonawo zvakare kuti akanga aine ronda
pazasi peziso raitaridza kuti akatemwa nechinhu
chakagomara. Pamusoro peziso rake rekuruboshwe
akanga akasvuuka zvaitaridza kuti anenge akakwesera
panechinhu chaive chakakwasharara. Ruoko rwake
rwekurudyi rwakanga rwakazvimba. Mike akabata ruoko
urwu achinyatsoongorora kuzvimba uko. Paakasimudza
ruoko akanzwa kasound(crepitation) kanotaridza kuti
musikana uyu akanga aita fracture paruoko irworo.
Akapindura mutumbi uya kwavakutarisa rumwe rutivi

65
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

akaona ronda riya rekubaiwa. Hana yake yakarova


zvakanyanya paakazoona kuti hanzu yake yemukati
pakanga pasina asi zvaitaridza sekuti akanga aendwa
naye pabonde zvinechisimba mukati nekuti nhengo yake
yesikarudzi yaive yakazvimba pamwe chete nekusvuuka.
Izvi zvakamupa pfungwa yekuti musikana uyu akanga
abhinywa kwavakuzouraiwa. Akatanga kufungisisa
imwe pfungwa yakamubata yaive yekuti musikana uyu
aigona akadaro akabatwa chibharo nemunhu aimuziva
uye aiziva Mike zvakare.

Kana zvaaifunga zvaive nechokwadi mukati, Mike


akabva afunga kubata Ropa kuti amubatsire panyaya
yaakanga akatarisana nayo. Chinhu chaakaona
chakamuomera kwaive kuita zvinhu Ropa asingaziye.
Mike akabva atora runhare rwake kwakuridzira Ropa.
Hazvina kumbotora nguva Ropa akanga atobata runhare
rwake ave kutaura naMike.

‘Hie honey.’ Akadaro Ropa kune rumwe rutivi


achitaridza kuti munhu akanga achitobva kuhope.

‘I am sorry for waking you up at this ungodly hour my


love. I am in deep trouble and I want your….’ Mike
haana kupedza kutaura akanga atodimburirwa naRopa.

66
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

‘Are you okay Mike? Tell me is anything the matter?’


mwanasikana akabvunza achitaridza kushungurudzika
uye kuti hope dzakanga dzatiza.

‘Take heart my love. Listen to me and listen carefully.


It’s a matter of life and death.’ Akadaro Mike
ndokumbonyarara achitura mafemo.

‘You are scaring me honey. Talk to me.’ Akadaro Ropa


atomuka paakanga akarara anyatsogara pamubhedha
wake akamonera towel.

‘Someone left a dead body at my pla…’ akadaro Mike.

‘What!’ akadaro Ropa achikatyamara nezvaakanga


anzwa.

‘Shhh,’ akadaro Mike. ‘Stop acting like that. I might be


under surveillance. I have something that I want you to
help me with. I am the pawn here. You are my
trumpcard. Do whatever you can to convey the message
to the police. I will drive from here and I would want
them to intercept me and arrest me. What I want is for
the police to recover the body so that they will be able to
collect as much evidence as they can. I think that way I
will be safe.’ Mike akadaro. Pakamboita runyararo
kwechinguva Ropa avekunyatsofungisisawo
nezvaakanga audzwa naMike.

67
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

‘No Mike. You can’t risk your life that way. What if the
killers have someone monitoring you?’ Ropa akabvunza
achitaridza kurwadziwa nezvaakanga audzwa naMike.

‘Do as I say for now honey,” Mike akadaro izwi rake


rizere nekutya. Aiziva kuti Ropa akanga asingazomusiya
ari munyatwa ari ega. Akatura mafemo akamirira
kunzwa mhinduro yaRopa.

'I have reservations about this Mike. These people are


dangerous. And how certain are you that I am also safe
from this end? I might also be under surveillance. I
believe they would have seen all these loopholes and
plugged them already.' akadaro Ropa achisimuka
pamubhedha paive akagara. Akabva ananga pawindow
ndokuvhura curtain zvishoma. Akanzwa chando
chichipinda mumuviri wake. Mugwagwa waive kunze
waioneka. Akanyatsocherechedza ndokuona kuti paine
nemota mbiri dzaive dzakamira nechepamhiri
pemugwagwa waipfuura nepaaigara.

Akaona zvakare kuti imwe yemota idzi yaive yakadzima


malights emukati zvese neekunze asi imwe yacho
yakanga yakabaka malights emukati. Akacherechedza
zvakare akaona kuti maive makagara vanhu vatatu.
Kumberi kwaive nevanhu vaviri kumashure kuine
munhu mumwe chete. Ropa akanzwa kutya. Apa Mike
aive achiriparunhare.
68
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

'Mike, I think I am being monitored. There are two


suspicious vehicles outside my yard, just across the
road." Ropa akadaro hana yake ichirova.

69
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

Who Killed Laura.

Story by Professor Ngugi waMkirii

0772484347/0717969769

CHITSAUKO 11

Luke akamboita nguva akagara mumotokari yake.


Mumwoyo make haana kufara kuona Hazvinei nekuti
aiziva kuti chinangwa chake chekuva kuHighfield
chekuona Laura chaigona kubva chadamburirwa panzira.
Pfungwa dzake panguva iyi dzakanga
dzirikutsvarakadenga yaakanga aona earlier kuAirport.
Hazvinei akatozviona kuti shasha pfungwa dzayo dzaive
kure kure chaizvo.

"Are you okay Luke?“ mwanasikana akabvunza


akatarisa mudiwa wake. Luke akatoita zvekuvhunduka
nekuti pfungwa dzake dzakanga dzatoenda kure kure.

"Of course I am okay. Do I look like I am sick?“ Luke


akapindura achaita zvekujinyura chaiko. Hazvinei kubva
paakatanga kudanana naLuke this was the first time
yaakapindurwa seizvi.

70
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

Mwanasikana akabva afamba achienda kupassengers


side ndokuvhura door remota achigara mukati. Luke
panguva iyi aingozvidya mwoyo ave kushaya zano
nekuda kwaHazvinei. Mumwoyo make kunyangwe aida
Hazvinei there was something about Laura that made
him hate Hazvinei with a passion.

"Why don't you leave me alone for now. I am under a


bad weather and i don't want to vent my anger and
frustrations on you. Just leave me alone and I will call
you when I need you." akadaro Luke achitaridza
kusatova nehanya naHazvinei.

"If you are under a bad weather I am here for you. I was
going to see my friend and it can wait until I make sure
that I find a remedy to make you smile again." akadaro
Hazvinei achitogara parutivi paLuke. Mwanakomana
akaita seachaputika neshungu.

"So tell me sweetheart. What's going on?“ akadaro


Hazvinei achitotora drink raive rasiiwa nechido
chemwoyo wake. Mwanasikana ainyatsonzwa kuti ndiye
aive aripanyanga asi pane chakamukatyamadza. Mumwe
wake aigara akafara asi panguva yaakamuona akaita
seaona chipoko kana chimwe chinhu chakamuvhundutsa.

"Spare me for now. I need to have a clear conscience."


akadaro Luke achipusha Hazvie.

71
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

"Nhaiwe Luke what's wrong with you? What wrong


have I done to you to deserve this kind of treatment. If
this is a prank please stop it. I don't like it a bit." akadaro
Hazvinei achitopeta maoko kutaridza kuti zvakanga
zvisina kumufadza. "I am your fiance for crying out loud
and stop treating me like a mat." mwanasikana
akaenderera mberi achidaro. Luke akabva aona kuti
pakanga pasina kumira zvakanaka ndokubva amutsa
motokari yake. Akabva atarisa mudiwa wake asi maziso
ake aitaridza kusiyana neaya aizivikanwa naHazvi.
Maziso aibwinya nerudo. Panguva iyi akanga atsvuka
seemhakure.

"What's that ominous look for? You are scaring me


Luke." akadaro Hazvinei azara nekutya maari.

"Get out of my car!" akadaro Luke achinongedzera


panze. Hazvinei akabva atarisa kurutivi achitaridza kuti
akanga asina kana chinangwa chekubuda mumota asina
kupiwa tsananguro inogutsa kuti anzwisise kuti sei
mudiwa wake aive asanduka zvakadaro. Pakamboita
nguva pasina ataura neumwe.

Luke akazosimudza motokari yake ndokuirova akananga


kwaive nechimwe chisango chaive kumaindustry aive
pedyo nekwaigara vanaHazvi. Paaityaira hapana aitaura
neumwe. Yaingova fungira mumwoyo rwendo rwembwa
chairwo.
72
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

Laura akaona shamwari yake Hazvinei yakamira


pamotokari nemunhu waasina kuziva kuti aive ani.
Aiziva kuti shamwari yake Hazvinei yaidawo motokari
zvisingabviri. Panguva yakasvika Hazvinei pamotokari
apa Laura aitobvawo pamalines epaseri pedzimba dzavo
uko aive aenda kunosiya mari yeround. Mwanasikana
haana kunyanyofunga nezvavo nekuti aiziva kuti
Hazvinei aiuya kuzomuona. Zvakazomushamisa kuona
shamwari yake yaita nguva yakareba isati yasvika. Laura
akabva abuda akananga kuKarigamombe kuti anoona
kuti chii chakanga chabata shamwari yake. Paakasvika
akaona motokari iya pasisina uye Hazvinei akanga
asisipo. Hana yake yakamborova zvaasina kunzwisisa.
Akatanga kuzvibvunza mibvunzo yakawanda yaive isina
anopindura. Paaive ari mushishi yekufunga
nezveshamwari yake pakabva pasvikawo rimwe jaya
rakanga rakasvika zvaitaridza kuti rakayamwa rikaguta.
Jaya iri rakasvikomira paive naLaura kwava
kumukwazisa nezwi rakanyorovera.

"How are you my sister?“ rakadaro jaya riya. Laura


akanyatsochetechedza ndokuona kuti mwanakomana
aive akabata book reblack raiita sediary riine chipiyaniso
pamusoro paro.

"I am good. How may I be of help brother?“ Laura


akadaro achitarisa jaya riya kubva kumusoro kusvika

73
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

kutsoka. Jaya iri raitaridza kuti rinenge raitambura haro


asi pane zvakaonekwa naLaura pamusoro pake that went
beyond the physical appearances. Laura's gaze
penetrated his heart and their eyes met. The young man
swallowed hard as he tried to compose himself. The
beauty that stood before him was astounding. Akabva
aita seshiri yabatwa nehurimbo.

"My name is brother Mike ndobata ndiripaGlad Tidings


yepaHigh Glen asi ndobva paKuwadzana apa. Ndine
shoko randoda kumbogovana nemi kana
makasununguka." akadaro Mike.

"Parizvino handina nguva asi mogona kundipa nhamba


dzenyu ndozokufonerai." akadaro Laura. Mike akabva
apa tsvarakadenga iyi nhamba dzake ndokupfuurira
mberi nerwendo rwake. Laura zvakamushamisa kuti sei
mukomana uyu asina kuita dzimwe pfungwa. Akanzwa
kuzvipa mhosva. Akapeta kapepa kaakange anyorerwa
nhamba kwakukaisa mubra avakudzokera zvake kumba.

END of chapter 11.

74
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

Let's meet in the next chapter.

CHAPTER 12.

‘Mike I am afraid. I can’t go outside I think I am being


monitored.’ Akadaro Ropa achitaridza kutya kukuru.
Mike akamboramba akanyarara achifunga his next
move.

‘These bastards,’ Mike akadaro achitaridza


kushungurudzika pamwe nekuita hasha. Akabva
adambura runhare. Panguva iyi pfungwa dzake dzakanga
dzava bararamhanya kutsvaga kuti aikwanisa kubuda sei.
Zvinhu zvakanga zvava manyama amire nerongo uye
aifanira kuita something nekukurumidza. Chitunha
chakanga chavakumuremera. Akatarisa chiringazuva
chake ndokuona kuti nguva dzakanga dzadyana. Kunze
kwakanga kwavakutoedza. Akasimuka ndokuenda pedyo
nebed yake kwakutora chipiyaniso chaaisifamba nacho
kwakuita munamato wake chinyararire. Apedza akaisa
michinjiko mitatu pachifuva chako ndokubva asimuka
achinozarura gonhi kuti abude mumba nemutumbi
waLaura.

Akanyatsoita make sure kuti mutumbi uyu waive


wakanyatsoputirwa zvakanaka nekuti aisada kuti vanhu

75
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

vafungire anything. Akanyatsouvhara necanvas


kwakuutakura achibuda panze. Akamboita chinguva
akamira pamusuwo achida kuve nechokwadi chekuti
hapana kana munhu aimuona. Mushure mekunge
agutsikana kuti hapana kana munhu mumwechetezvake
aive akamuka, mukomana akabva abuda panze akatakura
mutumbi uya. Mutumbi uyu wakanga wavakurema uye
kuburitsa kamweya kaitaridza kuti zvakanga zvisisina
kumira zvakanaka.

Mike akasvika pamotokari yaaishandisa yaive yaRopa


kwava kudzikisa mutumbi uya. Akabva avhura bhuti
remota kwava kutakura mutumbi uya ava kuisa
kumashure. Akambomira achitura mafemo. Panguva
iyoyo panext pake pakabva pabaka malights emumba
kutaridza kuti pane munhu aive amuka. Mike akatanga
kunzwa hana yake kurova pamwe chete nekunzwa simba
richitiza mumabvi make. Mwanakomana akaita chinguva
chakati kuti asati aita any action achida kuita regain his
composure. Papera maminutes anokwana kuita gumi,
Mike akatanga kunzwa zvirinani. Akabva apinda
mumotokari ndokuita on key kwava kuitsika achibuda
pachivanze akananga kumaziva ndadzoka.

VaDuri vakanga vachangobva kumuka ndokutarisa


panze nepahwindo. Vakaona Mike achitataritsana
76
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

nechinhu chaive mucanvas. Vakazviona kuti chinhu ichi


chaimuremera vakatomboita pfungwa yekuda kubuda
mumba kuti vamubatsire. Vakazoramba vakamira
pahwindo vakatarisa zvaiitika panext pavo. Uyuwo Mike
hapana kana chaakaona akatozoita zvekuvhunduka
paakaona chiedza chemalight akanga abatidzwa
naVaDuri. VaDuri pavakanga vakamira
vachicherechedza zvaiitika nekuvhunduka kwakaita
Mike, vakava nechokwadi chekuti pane zvaiitika chete.
Vakatanga kuzvibvunza mibvunzo yakawanda isina
kuwana mhinduro. Sei Mike akanga achitakura zvinhu
zvakakura kudaro neusiku? Sei Mike akanga avhunduka
pavakabatidza malights emumba mavo? Zvakavanetsa
zvakare kuti sei Mike akanga abuda achimhanya
semunhu akange akanonoka.

Mibvunzo yese iyi yaida mhinduro. VaDuri vakabva


vaenda musitting room mavo kwava kusimudza runhare
kuti vabate mapurisa epaDzivarasekwa. Panguva
yavainozama kuda kufona nhare dzepaDz dzaitaridza
kuti dzaive busy. Murume mukuru akaridza tsamwa
ndokubva abuda achifamba zvechimbichimbi
kwavakupindawo mumotokari yake ave kutevera.
Panguva iyi Mike akanga atove chinhambwe. Mike
zvaakasvika paround about inobata mugwagwa weHigh
Glen wakusiya unoenda mutown akabva atena kwava
kutsika mota. Iyo motokari yacho yaibvumawo

77
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

kumhanya. Pfungwa dziya dzekuti aende kupolice


dzakanga dzavakure zvino uye akanga asisaziye kuti
ovimba naani. Semunhu aive gweta ane zvaaizivawo
maringe nezvinechekuita nekuferefetwa kwemhosva.
Mumusoro make akatanga kufunga shamwari yake yaive
mutikitivha kuCID Homicide. Dikita rakange rongoti
mokoto mokoto pahuma pake zvekuti akatadza
kunzwisisa kuti kutsva kwaive kwabvepi. Mumashure
make akaonawo zvakare kuti pane motokari
yaimutevera. Akawedzera kutsika mafuta achida kuona
kuti motokari iyi yaizodii. Mutyairi aive arimumotokari
yaive kumashure akabva awedzerawo kutsika motokari
yake. Mike akatanga kuve nekunzwisisa kuti munhu aive
nemotokari iyi aitevera iye. Mukomana akabva adzora
speed achida kunyatsoona kuti chinangwa chemunhu
aimutevera chaive chei. Apa akanga akutosvika
pamarobots epaMarimba. Mupfungwa dzake Mike akada
kutena kuti anange kupolice yepaMarimba ndokubva
aflashwa nemota iya. Hana yake yakarova zvikuru
kwazvo paakazofunga kuti Marimba police station yaive
kure nedzimba uye mukana wekuti aiwana pastation
paine mupurisa mumwe chete kana vaviri waive
wakakura. Akabva aona kuti kupfuurira kwaive nani.
Pfungwa dzake dzakabva dzadzokerazve kunemashoko
aRopa ekupedzesera. Apa ndipo pakabva aziya kuti
akanga ava kutsva zvese dumbu nemusana. ‘Ropa might
be in trouble. I must do something to help her.’ Akadaro
akaruma muromo wezasi achinyatsotsikirira mota yake

78
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

akananga paHigh Glen. Pakarepo runhare rwake


rwakabva rwarira zvine ruzha.

CHAPTER 13.

Mike akamboita chinguva asina kutarisa kuti ndiani


aifona. Akambofunga kuti dzakanga dziri mhondi dziya
dzakange dzavakuda feedback. Call iya yakasvika
pakudambuka ndokubva aridza tsamwa. Runhare rwake
rwakarira kasingaperi achingoignowa call yacho. Akati
asvika paHighglen akaona paine vanhu vakawanda
wanda vaingonofamba famba zvavo. Akabva apaka
motokari yake and sighed. He felt kuti he was now safe
saka akambozorora. Akazotora phone yake ndokutarisa
kuti ndiani akanga afona. Hana yake yakarova paakaona
kuti ndiRopa akange azama kumufonera. Akaona paine
twenty three missed calls. Akatanga kushushikana akuda
kuziva kuti chii chakanga chaita kuti tsvarakadenga yake
imufonere more than once.

Akabva adialler number dzaRopa kuti anzwe kana aive


safe. Phone yaRopa yakanga isisapinde. Akaramba
achiyedza asi zvakanga zvisina chiyamuro. Akazotarisa
mota iya yaimutevera ndokuona yapaka pakabus stop

79
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

kaive pedyo nemugwagwa waienda kuBudiriro. Mike


akanyatsocherechedza motokari iyi ndokuona kuti yaive
yavaDuri. Akada kuziva kuti ndiani akanga aine
motokari iyi. Apa Mike akaita zvivindi kwava kudzika
mumota yake akananga kwaive nemota iya. Paakanga
avakusvika chaakangogona kuona ndechekuti maive
makagara munhurume aive akapfeka ngowani nhema
pamwe chete nemaspectacles matema. Munhu uya
akabva aita adjust mirror raive mumota make kutaridza
kuti aitoona mafambiro aiita Mike.

Mike paakanga ava kuda kusvika pedyo murume uya


akabva asimudza motokari yake kwava kutena
seodzokera kwaakanga abva. Izvi zvakakatyamadza
Mike kuti munhu uyu why akanga amutevera uye
chikonzero chekuti asimudze motokari yake mushure
mekunge aona iye achifamba akananga ikoko chaive
chei. Mupfungwa dzake akatanga kufunga kuti VaDuri
vakanga vaine chekuita nekupondwa kwaLaura. Asi
chakanyanya kumunetsa panguva iyi chaive chekuti
motive yavo yekuuraya Ropa nekuzomukanda pamba
pavo yaive yechii. Apa haana kukwanisa kuwana
mhinduro. Hana yake yakatanga kurova zvakare
paakanga ofunga kuti kunze kwakanga kwatoyedza,
hweva hwavekutotsvuka asati arasa mutumbi uya.
Akabva adzokera kumotokari yake kwava kuitenes
akananga mumugwagwa waienda kuHighfield. Akasvika

80
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

pamarobots epanaWillowvale kwava kutena


naWillowvale road. Pfungwa dzake dzakanga dzave
dzekunokanda mutumbu uyu kumaindustry nekuti akava
nechivimbo chekuti waizokasika kuoneka. Hazvina
kumutorera nguva akanga atosvika kumaindustry kuya
ndokungoti pfuurei zvishoma paAluminium ndokubva
atenera ipapo. Pane chisango chiripamberi pegarage
rePioneer ndipo paakasvika kwava kumisa motokari
yake ipapo. Akadzima malights neengine kwava kudzika
mumota achitarisa mativi ose kuti aone kana pakanga
pasina munhu aimuona. Agutsikana kuti kwese
kwakanga kwakachena, mukomana akavhura boot
remota yake kwava kuburitsa mutumbi uya.

Haana kuda kuita nguva yakakura aripanzvimbo,


akafamba zvechimbi chimbi kwava kukanda chitunha
chiya muchisango chaivepo kwava kumhanya akananga
kumotokari yake. Akapinda mumota kwakuimotsa,
neguva isipi akanga atove munaGlen Eagles orova mota
seaive nemunhu aimudzingirira. Mukomana aive
akangobatira hana mumaoko zvekuti kana paakasvika
kuKuwadzana haana kuziya kuti akanga afamba sei.
Akasvikoti mvorokosho pamubhedha kwakumboti zii
akadaro.

81
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

Nguva dzakanga dzadyana. Vashandi vemumaindustry


vakananga varibararamhanya vakananga kubasa. Tom
akati achangoti pindei pachinzira chaive pedyo
nePioneer Coaches garage, akabva asanganidzana
nembwa yaive mushishi kudhonzana nechicanvas.
Mukomana akamira achida kuona kuti chaive chii
chairwisana nembwa. Semunhu akanga akakurira
kumusha achiita zveudzimba, akaita pfungwa yekuda
kuona kuti chii chaiitika. Akafamba akananga paya
paive nembwa iya. Tom akabva adzinga imbwa iya
kwava kubatabata canvas iya. Hana yake yakarova
paakabata gokora. Akabva avhura canvas iya ndokubva
aramba akati kanha akatarisana nechiso
chetsvarakadenga yaive yakaputirwamo.

Akanzwa mwoyo wake kurwadza akatarisana nechitunha


chiya. Akatanga kutaura ega nezwi raive rakazara
nekurwadziwa pamwe nekutya. Paaive achiri akati kanha
kudaro pakabva pasvikawo vamwewo vashandi.
Nenguva isipi pakanga patoungana vanhu. Mapurisa
akazochairwa runhare ndokumhanyawo achibva
paSoutherton police station. Mapurisa paakasvika
vakasvikoongorora chitunha chiya kwava kutarisa
panzvimbo kuti hapana here maclues kana humbowo
hwavaigona kuona kuwanapo. Pamapurisa aivepo paive
naDetective Sergeant Kasange. Vakaongorora chitunha
chiya ndokutora masamples eropa, vakaitawo pick

82
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

mafingerprints pamwe nekutora masamples panhengo


yesikarudzi yechitunha ichi. Vakanga vauyawo
naphotographer akabva atora mapictures echitunha
chiya. Mutumbi wakazotakurwa wava kuiswa mudead
body box. VaKasange pavaingunoita zvese izvi umwe
mupurisa wavaive naye aitaura nainformant kuti awane
statement rezvakanga zvaitika. Pavakange vavakuda
kuenda Detective Sergeant Kasange vakabva vaona
chinhu chaive chakawira muuswa hwaive husiri kure
nepainge paine chitunha chiya.

Vakakotama kwava kunhonga chinhu chavakanga vaona


chiya. Pavakatarisa vakaona riri business card raive
nemacontacts aRopafadzo. Vakaisa card riya muhomwe
kwava kupinda zvavo mumota mavo vodzokera
kustation. Kustation vaida kupfuura neko vachitora
maforms 231 vobva vapfuurira kuenda nechitunha
kumortuary kuti vagomirira post mortem report.
VaKasange vaizivikanwa kuti kana pava panyaya
dzekuferefeta nyaya dzakadai ndoraive basa ravo.
Vakasvika pastation kwakuona officer in charge
Detective Inspector Murevanhema kuti vavape feed back
yemafambiro avakanga vaita vavakumirira kuti vabva
vazonanga kumortuary nechitunha.

83
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

‘Shef maswera sei?’ akadaro Ds Kasange achikwazisa


VaMurevanhema.

‘Eh Ds, mafamba zvakanaka here?’ vakadaro


vachitaridza kuti vakanga vava nechidokwadokwa
chekunzwa kuti vakomana vavo vakanga vafamba sei.

‘Tafamba zvakanaka boss. We have seen the deceased


person’s body but there is nothing that positively
identifies her. I have also picked a business card on the
scene and I suspect the killer dropped the card when she
was running away from the scene of crime. There is also
a possibility that the killer could be a male person
considering the shoeprints we saw from the scene and
the card can as well have been dropped to create a
diversion. It can be a decoy but will not leave any stone
unturned. We will explore all possibilities. The dogs
could not go far since the perpetrator used a car. Samples
of blood, semen and skin were collected. Seems the
victim was brutally killed after she was raped.’ Vakadaro
Ds Kasange.

‘That is why I have picked you for this task General.’


Vakadaro VaMurevanhema vachitaridza kufara
nefeedback yavakanga vapiwa. ‘Go ahead and send the
deceased for post mortem while you wait for the
outcome of report from the forensic department.’
Vakadaro Detective Inspector Murevanhema.

84
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

DS Kasange vakabva vabuda vakananga kuHarare


hospital nechitunha chiya.

CHAPTER 14

Luke akasvikomisa motokari yake kwava kutarisa


Hazvinei neziso rakasara panzara chairo. Hazvinei
panguva yese iyi haana kuziva kuti hasha dzemudiwa
wake dzakanga dzabvepi. Panguva iyoyo akatanga
kunzwa kutya nekuti akanga asati amboona Luke akadai.
Chiso chaLuke chakanga chashanduka chavakuita
sechemunhu asvikirwa. Mwanasikana akashaya kuti
odii. Akazoita pfungwa yekubuda mumotokari kuti
atsvage malifts ainomusvitsa kumba asi akabva
arangarira kuti akanga asina kana mari.

‘Luke, can you please take me back home?’ akadaro


Hazvinei pfungwa dzake dzisisina kugadzikana.

‘You thought you were coming to a honeymoon right?’


Luke akadaro achipushira seat raakanga akagara
kumashure zvishoma.

‘Have I done anything wrong babe?’ akabvunza


akatarisa Luke mumaziso chaimo. Rudo rwuya
rwaimbovhenekera mumaziso emudiwa wake pakanga

85
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

pasisina. Chaaingoona was a cloud of hatred rushing


through his eyes.

‘Listen you slut, don’t dare cross my path again. Try to


mind your own business. When I need you I will give
you a call and stop pestering me like a parasite. I need
space. Loving you is not a crime and remember I am the
one who came to you and the arrangement has not in
anyway changed. From henceforth, you don’t call me but
I will call you. Don’t visit me unless I tell you to…,’
Luke haana kupedza kutaura akabva adimburirwa
naHazvinei.

‘What’s that for? For crying out loud I am you fiancée,


and why do you treat me like a piece of rag. I will not
accept the conditions you are laying down for me. When
has that started? Tell me! Are you cheating on me or
seeing somebody?’ akadaro Hazvinei achizunza Luke
akamubata collar yehembe yake apa misodzi yavekuti
mokoto mokoto pamatama. Luke akangobata akabva
apusha Hazvinei zvine simba ndokubva arovera padoor
remotokari ndokubva angoti rezu akadaro. Luke
akatotanga zvake kuseka achifunga kuti she was playing
a prank at him. Akabva atoradzika seat remota yake
kwavakutorara zvake achiti Hazvinei achatonga
kupopota kwake kuya. Pakati papera maminutes aikwana
mashanu pasina kana kuzunguzika, Luke went into a
state of panic. Akabva abata ruoko rwaHazvinei to feel

86
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

pulse yake ndokubva anzwa yakati zii. Hana yake ndipo


payakatanga kurova zvakaipisisa.

‘Oh my God! I have killed her.’ Akadaro avakushaya


pekutangira. Akatanga kurova-rova Hazvinei pamatama
achimusheedza nezita. ‘Hazvinei please don’t do this to
me. You know that I love you so much. Please work up
my cupcake. I need to see your smile once again. Please
wake up. You know the promises that we made to each
other. The promises to give each other eternal love and
protection, to be there for each other in dire moments. So
why are you doing this to me?’ akadaro misodzi yatova
pamatama ake. Panguva iyi akanga avakunyatsofunga
zvakati twasa.

Pfungwa dzake dzakabva dzadzokera pazuva


raakasangana naHazvinei. Luke akanga apinda mutown
muHarare achitsvaga suit yaaida kuzopfeka pamuchato
weshamwari yake Milbah. Milbah naLuke vaive tsika
nditsikewo zvekuti vaitoita sevana vakabuda mudumbu
rimwe chete. Pakaroorwa Milbah, Luke akanga atoripo
achotomhanyamhanyawo sehanzvadzi yemwanasikana
uyu.

Akapinda maGreatermanns ndokufamba zvake ari


kusection inowanikwa mbatya dzevarume achibata bata

87
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

masuits aivemo. Attention yake yakazotorwa neimwe


tsvarakadenga yakapindawo ichitsvagawo mafuta
nemaperfume. Mukomana akambomira zvishoma
akayeva mwanasikana uya. Musikana uyu aive akapfeka
a red dress raive nemalace kutanga below the knees.
Raive rakamugara zvekuti aita seekanga azvarwa
akadzipfeka. Aive akapfeka mahigh heels ered,
mabangles ered nemaearrings ewhite. Miromo yake
yaive yakapendwa zvainwisa mvura. Chimiro chake
chaidonhedza musika. She had luggage, in the language
of the modern day ghetto youths.

Luke akamboramba akamira akangoyeva Musikana uya.


Imwe pfungwa yakambomuti aende anotaura naye
zvishoma perhaps he would be lucky to have her phone
number. Mukomana paakatanga kufamba akananga
kwaive nemusikana uya akatoona atova patill kuchaisa
zvaakanga atenga. Musikana uyab akaburitsa ATM card
rake kwava kutambidza till operator kuti aite swipe.
Zvese izvi zvaive mumaziso aLuke. Card riya rakabva
ratanga kuramba. Musikana uya looked frustrated after
sevceral attempts card rake richiramba. Luke akabva
afamba achienda patill paya.

‘Seems you are having problems accessing her account?’


Luke akabvunza achiburitsa wallet yake akatarisa
pascreen yecomputer.

88
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

‘Yes sir.’ Akapindura musikana aive patill.

‘I will foot the bill.’ Akadaro Luke achitambidza till


operator US$100. Musikana uya akamboda kuramba asi
Luke akabva amunyararidza. Apedza kubhadhara Like
akabva afamba achienda kunotsvaga zvake suit yaaida.
Ziso rake raiti rakati pasuit obva amborikanda
kunetsvarakadenga iya. Musikana uya akati apedza kuisa
zvinhu zvaaive atenga muplastic bag akabva afamba
achiuya kuna Luke.

‘Thank you so much for saving me the embarrassment. I


don’t know what went wrong with my account. Here is
your change.’ Yakadaro tsvarakadenga iya. Paitaura
Musikana uyu mwoyo waLuke waiita seuchanyungudika
nekuda kwetumakomba twaive pamatama ake twaibva
twawedzera runako rwako.

‘You don’t have to thank me, neither do you have to give


me the change. Just keep it. Maybe you can just do me a
small favour.’ Akadaro Luke achibatabata bhachi
rewhite.

‘What favour?’ akabvunza Musikana uya.

‘Pardon my manners. I am Luke.’ Akadaro achiita


seavhunduka.

89
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

‘Nice meeting you Luke. I am Hazvinei. Meeting under


unusual circumstances.’ Akadaro achinyemwerera
zvake.

‘I have a friend of mine whose wedding is coming up in


week’s time. Can you help me pick a very good suit for
the occasion. And in addition I would be happy having a
lady of your caliber by my side on such a grand
occasion.hope you will not say no to that.’ Akadaro
Luke akatarisa Hazvinei mumaziso chaimo.

‘Let’s start by picking the best suit for my benefactor


then will give you my contact and you will call me then
we talk.’ Akadaro Hazvinei.

Luke akanga aputirwa mundangariro dzekusangana


kwaakaita naHazvinei and how she broke up
nemukomana wake nekuda kwechitsidzo chavakanga
vapana. Akaedza kumumutsa akaona pasina kana sign
yeupenyu. Pfungwa dzake dzakazomuudza kuti amhanye
naye kuchipatara. Mukomana akasimudza motokari
kwakunanga kuHarare Hospital. Hazvina
kumbomutorera nguva kuti asvike paHarare hospital .
Vanamukoti vakaita chipatapata nematrolley
kumhanyidzana kuti vatakure Musikana uyu kuti
aonekwe nachiremba. Luke akanga angokwizanisa
maoko ake achiafuridza kuti Hazvinei adzoke
kuvapenyu. Akatanga kuzviudza kuti if she survived he
90
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

was going to love her without any reservations.


Akatanga kufamba-famba ari mucorridor as the nurses
disappeared naHazvinei behind a corner. Akangoti gare
gare ndokuona doctor vachifambisa vakanangawo
kwakanga kwaenda mudiwa wake.

CHAPTER 15

Mike akambonzwa pfungwa dzake kugadzikana


mushure mekunge arasa chitunha chaLaura. Akanzwa
hana yake kudekara kwechinguva chidiki. Akazotanga
zvakare kufunga kuti nyaya yemusikana uyu yaizofamba
sei. Hongu aiita semunhu asununguka asi akaona
zvakamuomera kungonyarara sezvinonzi Laura yaive
mhuka. Ichokwadi kuti haisi nyore kurasa munhu
semarara. Akazvishora nekuda kwedanho raakanga atora
rekurega kuisa nyaya iyi kumapurisa. Akabva atanga
kuzviona sekuti ndiye akanga auraya mwanasikana uyu.
Mumwoyo make aingoti dai zvikasamupandukira.
Zvaakanga aita aizvinzwisisa kuti zvaiita kuti aite sekuti
aive nechekuita nekupondwa kwaLaura.

91
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

Paainopishana nepfungwa akarara pemubhedha pake


mukamuri yaagara runhare rwake rwakabva rwarira.
Mike akasimudza runhare rwake ndokurwuisa panzeve.
'Hello.' Mike akadavira nezwi raive riripasi semunhu
aive nezvakawanda zvaimudya mumwoyo.

'Barrister Mike Moyo. Makadii?' Akanzwa voice riya


rekumbomufonera richimupa mathreats richitaura kune
rumwe rutivi rwerunhare.

'Tiripo makadiiwo. Ndiani wandirikutaura naye


ndarasika?' Akadaro Mike.

'Be informed kuti nyaya haisati yapera. I have another


task for you. There is a possibility yekuti mapurisa
arikuferefeta nyaya iyi anogona kuwana humbowo
hunogona kutisungirira. We just remembered kuti we left
quite a number of clues patakaparira mhosva iyi. If the
police happens to get wind of it we might be in for
trouble. You have to finish the task and all will be well
with you.' Rakadaro izwi riya. Mike akamboramba
akanyarara achifunga kuti chakanga chava cjii chakanga
chavakuitika. Panguva iyi akabva afunga Ropafadzo.
Paakapedzesera kutaura naRopa zvaitaridza kuti pane
zvaiitika kwaari. Paakapedzesera kuda kumufonera
runhare rwake rwakanga rwusisaite. Kutya kwakabva
kwamupinda. He just hoped kuti she was safe.

92
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

Is Ropa fine? Mike anozvibudza achitanga kunzwa kutya


kuchipinda maari. Anozorangarira kuti aive parunhare
amboita chinguvana akanyarara. 'So what do you want
me to do?' Akabvunza Mike.

'A very good question. Nhasi at around 2200hours drive


to the National Sports Stadium. Park there and wait for
our signal.' Rakadaro voice riya runhare ndokubva
rwadamburwa. Mike akave nekutya kukuru. Akatanga
kuzvibvunza kuti chikonzero chaakanga achidirwa
chaive chei uye sei vanhu ava vakanga voda kuramba
vachimushandisa to cover up their crimes. Chakanyanya
kumunetsa ndechekuti interest yavo maari yaive yechii.
Mukomana akabva angoti mvorokosho pabed pake
kwava kutanga kupishana nepfungwa. Panguva iyi
akabva afunga shamwari yake Rodrick. Akasimudza
runhare rwake kwava kufonera Rodrick. Shamwari yake
haina kumboita nguva kudaira phone iyi.

'Yes Big Man. Wagwaan?' Akadaro Rodrick achitoseka


zvake kune rumwe rutivi.

'All is well my buddy. Can I see you at my place there is


something very important that I want to discuss with
you. Its very important.' Akadaro Mike.

'Is everything okay Mike?' Akadaro Rodrick achitaridza


kuve nehanya neshamwari yake.

93
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

'Just come its urgent.' Mike akadaro achibva atikata


runhare rwake. Panguva iyi akange asingade zvekutaura
zvakawanda. Ainzwa musoro wake uchipisa zvekuti
akanga otonzwa kuzarirwa nehasha pamwe chete
nekupererwa nezvekuita.

...........................................................................................
.

Rodrick akatarisa runhare parwakanyarara. Akabva


afamba achienda pahwindo remba yaaigara. Uyu aive
mukomana mutsvuku aive nemakore makumi maviri
nematanhatu. Akasangana naMike paUniversity of
Zimbabwe apo aiita zvidzidzo zvake zvePolitical
Science. Iye naMike vaive tsika nditsikewo. Vaive
mukombe nechirongo. Waiti ukashaya Mike
unongotsvaga panenge paine Rodrick. Panguva yavaive
paUZ vaiita zvinhu zvakawanda varipamwe chete.
Kunyangwe kuratidzira kwaiitwa nevadzidzi vepaUZ
Mike naRodrick ndivo vaironga mademonstrations aya.
Pane gore rakambosungwa Mike akaitwa bailed out
naRodrick zvinova zvakabva zvaita kuti ushamwari
hwavo huve hwakasimba. Mike nerimwe divi aifarira
zvekunamata asi Rodrick aive munhu wemafaro. Apa
ndipo chete pavaitadza kuwirirana. Zvimwe zvese
pfungwa dzavo nehana dzavo dzairoverana.

94
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

Rodrick akatora mudzanga wefodya muhomwe yake


yetrouse dema raaive akapfeka akaibatodza ndokukweva
zvakasimba ndokuzofuridzira utsi mudenga huchinyora
tukore. Patable yake paive nemaphotoes akati wandei.
Aive maphotoes evakomana nevasikana vemuzera
wechidiki. Mamwe acho aive akakanzurwa nechinyoreso
chitsvuku. Akafamba achibva kuhwindo riya
ndokusvikogara pakastool kaive parutivi petable.
Pamusoro petable yake paive nelaptop yerudzi rweDell.
Akabva atanga kubaya baya laptop yake ndokuvura
kuMailbox. Akaona kuti pakanga paine mail yakanga
yapinda. Akabva aenda kuinbox kwake kuti averenge
maemails akanga apinda.

HTPP//DELETE.

SUBJECT: OPCASSABLANCA 2200HRS

OBJECT FLASH.

E.O.T

Ndiyo yaive message yekutanga yaakaverenga.


Akakweva zvakare fodya ndokupfumba utsi
kwechinguva ndokuuburitsa nemumhuno. Akasekerera
achidhonza kabag katema kaive patable imwe chete
iyoyo. Akavhura bag iri ndokuburitsa Cz achiisa

95
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

pamuaoro petable. Mubag iri maive nemaSyringe


pamwe chete nemishonga yakasiyana siyana. Maivewo
neChlorofoam nemachira machena. Akangozvigadzirisa
kwava kudzorera pfuti iya mubag. Akarivhara kwava
kudzokera palaptop kuti atarisa imwe mail yakanga
yapinda.

CODE 09

SUBJECT: ERASE

OPCASSABLANCA SUBJECT ROMEO FOXTROT


OSCAR MIKE STOP LOCSTAT NOVEMBER SIERA
SIERA 2200 HRS STOP

E.O.T

Rodrick anobva avhara laptop yake osimuka akananga


kuhwindo zvakare. Anotanga kufamba famba achitaridza
kuti pane zvaimudya mumwoyo. Paakaverenga email
yekutanga akanyemwerera asi iyi yechipira yakamubata.
Akatanga kuve nemibvunzo mizhinji kwazvo mumusoro
make. Kushaya kwaakaita basa apedza zvidzidzo zvake
kwakaita kuti abatane neboka raizviti SLAC. Scorpions
of Los Angeles Cooperation. Boka iri raive mune
zveHuman trafficking, Drug peddling pamwe chete
nezveMining. Yaive syndicate yaive yakakura ndiyo

96
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

yakanga yakapinda Rodrick. Shamwari yake Mike


yaingoziya kuti anoita nezvekutenga nekutengesa
goridhe.

Rodrick anofamba achibuda mumba make akabata


bucket rekunogeza. Panguva iyi anobva adhumana
naDetective Sergeant Kasange vachitopindawo payard
pake. Anonzwa hana yake kurova nekuti aiziya kuti
shasha iyi yakanga isingangofamba pasina nyaya.
Akamira pamukova zvechinguva chishoma kwakupinda
mumba achivhara door. Anoita chipata pata kuviga bag
riya rakange riripatable pamwe chete nekuisa laptop pasi
pematress. Agutsikana kuti zvakanga zvave safe anobva
abuda panze.

End of Chapter 15.

97
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

Chapter 16

Luke akanga ongokwenya mhuno nekasiyanwa kuti dai


zvaenda nepamwe. Hana yake yairova zvisina kana mukare
akamboona. Kubva nguva dzaakasvika naHazvinei
pachipatara akangoti rezu, haana kana kuzombokwanisa kana
kuita chero chinhu. Aingofambafamba mucorridor achiita
munamato chinyararire. Ukaona munhu usinganamate zvinhu
zvinenge zvakamira zvakanaka. Kana zvichinge zvadai
zvotoreva kuti unenge wakatarisana nemhaka yakakora
chaiyo. Akambofunga kuzivisa vanhu vekumba kwanaHazvinei
zvakanga zvaitika asi akaona sekuti anenge akasika kumedza
iye kutsenga achada.

Luke anombogara pabench repuranga raivemo osimuka


otanga kufambafamba zvakare. Ari mubishi rekupishana
nepfungwe pamwe neminamato yaaiita chiremba vanobva
vabuda muEmergency room umo vaibatsira Hazvinei.
Vaifambisa semunhu aimhanyiswa vakapfeka dust coat jena
stethoscope iri mumaoko. Chiremba uyu ainzi Doctor Grange.
Luke akabva amhanya kwakumira pamberi pake.
‘Doctor how is she?’ Akabvunza achitaridza kubatikana pamwe
nekurwadziwa kwakanyanya.
‘Excuse me. Who are you asking about?’ Chiremba uya
akadaro achisundira Luke parutivi. Luke akabva amhana
achienda pamberi pake zvakare.
‘Young man stop wasting my valuable time. I have patients to
attend to. You killed your girlfriend and you think you can
come hear and boss every one around. Where are her
parents?’ Chiremba vakabvunza asi Luka haana chaakanzwa.
Akanga abata musoro misodzi ichiti mokoto-mokoto
pamatama ake. Panguva iyi akatadza kuzvibata ndokumhanya
akananga kuEmergency Room kuya. Akasvikorova door

98
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

ndokupinda mukati. Manurses akanga arimo akarohwa


nehana nemapindiro akaita mukomana uyu muER.

‘Where is my girl?’ Akadaro achienda paive pakaradzikwa


mutumbi waHazvinei. Hazvinei akanga akafukidzwa muviri
wose nejira jena.
‘Hold yourself sir. She is no more and she can’t hear you.’
Akadaro mumwe nurse wechikuru achibata Luke. Pakava
nebishi vachiedza kumuburitsa muER. Vakatozobatsirwa
nesecurity yepachipatara. Luke anobuda ofamba achienda
kumotokari yake. Panguva iyi akabva afunga nezvemusikana
uya ainzi Laura. Akarova mota akananga kuHighfield asi
mumwoyo make aizvipa mhosva yekukukonzera kufa
kwaHazvinei. Nengiva isipi akanga atosvika kuHighfield.
Akasvikopaka mota yake paKarigamombe. Hapana
kumhoitawo nguva akabva angoon Laura achibuda
mubutcher riripaTerminus yeCanaan.

—————————————————————–

Laura zvaakabva kumba achinotsvaga muriwo aingopishana


nepfungwa kuti sei shamwari yake yakanga isati yadzoka.
Akamboedza kumufonera asi phone yake yakanga isisapinde.
Akazorangarira kuti akanga abuda nemukomana aive nemota
yaive yakamira paKarigamombe. Zvakamushamisawo zuva iri
kuti sei Hazvinei asina kumuudza kuti akange ave
kumbobuda. Hazvinei aive munhu aiiti kana achienda out
Laura aitozviziva. Zvezuva iri zvakakatyamadza Laura nekuti
kakanga kari kekutanga kuti Hazinei aite seizvi.

Paakabuda pabutcher akabva aona mota iya yakambenge


yakamira naHazvinei yamira paKarigamombe. Akanzwa
kufara kuti shamwari yake yakanga yadzoka. Mwanasikana
akafamba achienda kwaive kwakamira motokari iya kuti

99
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

ataure neshamwari yake. Mupfugwa dzake aida kumbotuka


Hazvinei zvaasati amboona. Akati achisvika munhu aityaira
akabva adzikisa window rekurutivi kwadriver kwakuburitsa
musoro.
‘Hey! We meet again. I have been looking for you all day long.’
Akadaro Luke achitaura naLaura uyo akanga achamgosvikawo
pamota. Laura akadongorera mukati ndokuona Hazvinei
asimo.
‘Where is Hazvinei?’ Laura akabvunza. Mubvunzo wake
wakavhundutsa Luke.
‘Who?’ Luke akadaro achiita seasina chaaiziya.
‘I mean the girl wandamboona pamota yako makuseni?’
Akadaro Laura.
‘I think you are mistaking me for another person. Cars like this
dzawandisa dear. Did you check the number yemota
yaurikutaura?’ Akadaro Luke. Laura akabva atarisa pasi. She
felt stupid.
‘No. Okay I am sorry. Let me rush home muriwo wakamirirwa.’
Akadaro Laura akuda kutoenda.
‘Please get in want to talk to you for a few minutes.’ Akadaro
Luke achibata Laura ruoko. Laura akanopinda kupassenger
seat rekumberi kwavakugara. Luke akanzwa mwoyo wake
kufara. Laura paakapinda akabva atanga kutarisa tarisa
mumota iyi. Zvechokwadi mota iyo yakanga yakashongedzwa
zvakanaka kutaridza kuti muridzi wato aiibata zvakanaka.
Akazozembera padoor ndokubva anzwa kutonhorwa.
Akatarisa ndokuona paine mablood stains. Haana kuda
kubvunza kuti chaive chii asi akave nechokwadi chekuti
mukomana uyu ndiye akange abuda naHazvinei uye pane
zvaida kuvanza mezvaHazvinei.

———————————————————————————
Chiremba vanodzoka vanoona mukomana uya
achisandudzirwa panze neSecurity yepaHospital. Vanodzoka

100
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

vopinda muER voenda pane patient yavo iya. Vanobvisa jira


ravaive vakamuvhara naro. Mushongo wavakanga vaita
administer kuti ambokomoka wakanga waperawo. Vanobva
vamuonesa kuti mukomana uya akanga aenda asi aifunga kuti
akanga ashaika. Izvi zvakaita kuti Hazvinei anzwe kufara.
‘Maita basa doctor. Muupenyu hwake for mow I am out of the
picture saka ndave kukwanisa kuita monitor kuti chikonzero
chake chekuita izvi ndechei.’ Akadaro Hazvinei achitosimuka
kubva pabed yaakanga akarara.
‘Man like him do not deserve you. Look at what he has done.
He tainted your beauty. You are fortunate kuti hauna
kuzokuvara zvakanyanya. Take these pills and follow what I
prescribed.’ Akadaro Doctor uya ndokuperekedza Hazvinei
kunokwira mataxi ekuenda kuHighfield. Doctor akabva
abhadhara taxi iya ndokupa Hazvinei number dzake kuitira
kana aita a medical problem. Hazvinei anobva aenda
kuHighfied. Anopfuura nepaKarigamombe oona mota
yaMaster iripo. Anoshaya kuti ko anga achakamirirei.
Akamboita pfungwa yekuendako asi hana yake yakaramba.
Master aisafanira kuziya zvaiitika. Akadongorera qchipfuura
ari mutaxi. Hana yake yakarova paakaona Laura ari
mumotokari yaMaster.

101
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

Chapter 17

Kuna Hazvinei Luke aishandisa zita rekuti Master Rungano


asina Laura aishandisa zita rake chairo rekuti Luke. Hazvinei
paakambotaura nezvaMaster shamwari yake yakatofara
chaizvo kuti akanga awanawo mukomana ari nani. Dai
akashandisa Zita rekuti Luke rungano Laura angadai akaziya
kuti mukomana wekumbomubatsira aive mukomana
weshamwari yake. Apa aive atori murima akagara
mumotokari yaLuke. Ropa raakaona rakamupa mibvunzo
yakawanda. Akava nechokwadi chekuti Luke ane
zvaaihwandisa maringe naHazvinei. Akave nekuvimba
nezvaakanga aona kuti mota hadzingabva dzafanana zvese
kudaro. Kana mapatya ari identical anosiyana wani.
‘I wanted to talk to you about something. Ndofunga
ukanditarisa unoona kuti makore angu ati fambei ndichingori
bachelor. Manje zvingaita here kuti ndifire mugota iwe uripo?’
Akadaro Luke akatarisa mumaziso maLaura chaimo.
‘Saka ini ndapinda papi apa?’ Akadaro Laura.
‘Listen Laura. There is a much more greater motivation than
simply my spoken words. To me to love is to commit myself
freely without any reservations. I am sincerely interested in
your happiness and well-being. My love for you is not a
passing whim. Take my hand and I will walk with you down
the alter in holy matrimony.’ Akadaro Luke achitaridza kuti
aive serious. Zvekuti akanga audzwa nachiremba kuti Hazvinei
chakanga chave chando hazvina kumbopinda mupfungwa
dzake panguva iyoyo. Chake kwaive kukanda tsono chete kuti
akwanise kudiwa netsvarakadenga iyi.
‘Does this explain why you helped me the other day? If thats
the case I will pay you your money to the last kobo. You think
love is bought or ypu think lowly of me. I am not that kind of
girl who is easily drawn to man because of material
possessions. Kwandotobvawo zviriko. If you may excuse me I

102
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

have to go.’ Anodaro Laura atobata latch repadoor kuti


akwanise kubuda. Luke anobva amubata zvine simba zvekuti
mwanasikana akatoyuwira nekurwadziwa. Luke panguva iyi
akanga atoshanduka.
‘Who do you think you are? Do you know that declining
Master’s advances is a crime with a capitol punishment. Hee.
You think you can sit in my car and put a breed of your
family’s lice on my seats and then pretent to be a saint. If you
walk out on me then know one thing we will be mortal
enemies and pray our paths will never cross again. I am trying
to make you mine and mine alone. Think about it. Get lost!’
Akadaro Luke achivhura door kuti Laura abude. Laura haana
chaakataura akangobuda ndikufamba achienda kumba
kwavo. Ndokakave kekutanga kubatwa zvakashata kudai
nemukomana. Panguva iyi akabva arangarira mukoma vaya
vainzi Mike vakanga vamupa nhamba dzerunhare. Semwana
aibva kuvanhu akangoti zvose aiisa mumaoko aMwari.
Chakazonyanya kumunetsa dzaive hasha dzaive naLuke. Ko
akanga atadzei kumuudza kuti zverudo pakati pavo zvakanga
zvisingaite. Uye pane musikana chaiye akatsarukana angati
kungokandwa matama maviri ototi ndada. Izvi zvakamunetsa.
Zvakaita kuti ave nekunzwisisa kuti vakomana verudzi
rwaLuke vanotungamidza zvinhu zviri material pamberi
vakanga vasiri type inochengeta but yaigona kushandisa
munhu kuwana zvavaida then vomusvipa sematsengwa
enzimbe.

Laura akanga avakuziya zvakare kuti Luke aive nevabereki


vaigara mhiri kwemakungwa uye aiita manage mabusiness
evabereki vake. Dai aive mumwe musikana asina kutsarukana
angadai akadyira asi Laura aive nechivimbo chekuwana
mukomana asina chaainacho votanga kushanda pamwechete
kuvaka musha. Aisatenda mukuda munhu ane zvinhu zvake
nekuti mukurarama akanga akaona zvakawanda. Dzimba

103
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

dzakawanda maive nekudadirana kana kushungurudzwa


kwemadzimai nekuda kwekuti unenge uchinzi wakandiwana
ndakakwana..

Mwanasikana anofamba akananga kumba kwavo, nyama iri


mumaoko. Anosvika obika nechimbi chimbi aine chinangwa
chekumbonoona kuti Hazvinei akanga adzoka here.

——————————————————————–

Hazvinei paanodzika taxi anobva ananga kumba kweimwe


shamwari yake yainzi Matilda yairoja muGlen Norah A
kuspaceman. Matilda aiita zvekubuda achihodha achiuya
achitengesa zvaanenge abva nazvo kuZambia kana
kuTanzania. Hazvinei akasvikowana Matilda akatorara hake
pamubhedha wake achiverenga fashion magazine.
‘Matilda ndeip?’ Akadaro achitogarawo pabed paive
naMatilda.
‘Ndiribhoo sahwi. Ko kwakanaka here kunditsika pasina
notice?’ Akadaro Matilda achitoseka hake.
‘Notice yei kana ndichiuya kumba kwangu. Remember this is
my home too. Ko Martin aripi?’ Akabvunza shamwari yake
achitonhonga apple raive mubowel.
‘Unomudii murume wangu? Wakuda kutanga hondo
yausingapedzika.’ Matilda naHazvi vanobva vaita chikwee.
‘On a serious note pane basa randoda kumupa riri urgent and
I will pay. Handiti Martin is a PI?’ Akabvunza Hazvinei.
‘Ehe. Atori neimwe case yaari kutoita at the moment. Wanga
uchida kumupa basa reiko?’ Matilda anobvunza
achizvigadzirisa kuti agare zvakanaka achinzwa nyaya yakange
yauya neshamwari yake.
‘Hapana chandokuvanzira uri shamwari yangu iwewe but
promise me that whatever I will confide in you will remain
between you and me. Perhaps naMartin?’ Akadaro Hazvinei

104
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

achida assurance kubva kushamwari yake.


‘Unoziva hudzamu hweushamwari hwedu. Hapana
chatovanzirana. Kana zviri zvekuti ukuda assistance yangu
neyaMartin hapana dambudziko. Fill me in then I will talk to
him.’ Akadaro Matilda achipa shamwari yake an assurance.
‘Handiti uniziya mukomana wangu uyu wekundipa pamuviri
anonzi Master Rungano?’
‘Hongu ndinomuziya. Asi manetsana here?’ Akapindura.
‘I think he is seeing someone nekuti zvaakandiita hazvina
kumira mushe. Ndakamuona paKarigamombe ndichienda
kwana Laura and the way yaakandibata nayo was not fair. Apa
akandirovera padoor remota. Ndakanyepera kunge ndasiya
nyemba. Izvezvi he thinks kuti ndakatofa. Ndakaita maths
naDoctor kuti nyaya yacho ibude and I do not know kuti
ndogona kuzvivanza kusvika riinhi. Ndakazomuona aina Laura
pandaibva kuchipatara. Ndinofunga kuti Laura arikudanana
naMaster chete. Ndizvo zvandandichidira Martin kuti
andisorerewo kuti chii chiri kuitika. If it happens to be true
naamai vangu varipachuru haridoke Laura ndisina kumuita
zvinogara zvakadaro.’ Akadaro Hazvinei achiidza shamwari
yake.

—————————————————————‘–
‘Makadii mukoma. Zita rangu ndinoitwa Detective Sergeant
Kasange from CID Homicide Harare. Ava vandiinawo vanonzi
Detective Constable Hwata. Ndingawanawo vanonzi Mr
Rodrick here?’ Vakadaro DS Kasange vachitaridza Rodrick ID
yavo yebasa.
‘Rodrick haachagara pano akatama pave nemwedzi miviri.’
Akadaro Rodrick achipindura VaKasange. DS Kasange
vakamboramba vakamutarisa mumaziso chaimo. Iye
akazviona kuti ziso raive rakamutarisa raive rebasa chairo.
Aiziya kuti mapurisa aisaita zvekutamba kunyanya ivava vaiita
zveHomicide. Vakomana ava vaishanda basa ravo nemazvo

105
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

uye vaosaita musiyandaita kwete.


‘Ko imi vandirikutaura nemi munoitwa mukoma ani? Ndoitira
kunyora pasi kuti ndaona ani. Mobva mandipawo nhamba
dzenyu dzechitupa pamwe chete nedzerunhare.’ Vakadaro DS
Kasange.
‘Ndonzi Tom Kasawaya. Nhamba dzechitupa handiziyi
nemusoro handina kumbobvira ndatora chitupa.’ Akadaro
Rodrick.
‘Okay mukoma Tom. Regai ndingokubvunzaiwo mibvunzo
mishomanana. Rodrick makamuziva kwenguva yakareba
zvakadii uye aive munhu akaita sei? Vakaenderera mberi apa
vachiongorora reaction yake kumubvunzo wega wega.
‘Umm Officer ndinganyepe ndikati munhu wandainyatsoziya.
Taingoonana pano neapo sevanhu vaive vakavakidzana asi
zvekugara pamba ndaisanyanya nekuti ndaigara ndiri
kuKwekwe kuMine kuSherwood.’ Mukomana akadaro
achitarisa pasi. Panguva yese iyi DS Kasange vainyora nyora
mukaDiary kavakange vainako. Mumwe wavo aitenderera
achiongorora pachivanze kuti pamwe pane zvavangawana.
Rodrick akanga ongoita munamato wekuti dai vakasapinda
mumba vachida kuita search.
‘Zvakanakai mukoma Tom. Kana paine zvandichada
ndichakubatai parunhare. Ndinovimba kuti runhare rwenyu
ruchange richibatika.’ Vakadaro DS Kasange. Pavainotaura
naRodrick mumwe wavo akanga apota seri kwemba anobva
avadaidza.
‘DS imbosvikai kuno.’ Akadaro mumwe mutikitivha wavaive
vainaye. Vakabva vafamba vachienda paakanga akamira.
Panguva iyi Rodrick akanzwa hana yake ichirova kwazvo.

106
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

Chapter 18

Matilda anobatikana achinzwa nyaya yaHazvinei. Haana


kumbobvira afungira kuti Master angasvike pakuita hunhu
hwakafumuka kudaro kunyanya kumusikana waakaitisa
pamuviri. Matilda aive imwe mhando yevasikana. Aive asina
zvinoenda kure. Aive musikana mupamhi aive nechimiro
chinenge chechirume vaye vanonzi maTomboy.
‘Iwe ita soft usamborwadziwa naMaster. Tomuita zvinorova.
Kana chiri chokwadi chauri kundiudza vanhu vakaita saLaura
havanetse kuwachisa. Ko iye Laura akatanga riini zvekuita
murondatsimba?’ Akabvunza Matilda achigadzika magazine
yaaiverenga parutivi.
‘Kana neni zvakatondishamisa. Zvimwe inyaya yekuti iye
haazive Master. Handifungi kuti vakamboonana before.’
Hazvinei akadaro achiyedza kuchenura shamwari yake
kunyange zvazvo mumwoyo make aizviudza kuti Laura ndiye
honzeri yekusawirirana kwake naMaster.
‘Saka wati Martin anogona kundibatsira here to spy on
Master. Ndiri kungoda every detail yemafambiro ake.
Parizvino ndoziva kuti pfungwa dzake hadzina kugadzikana
nekuti ari kufunga kuti handisisiri mupenyu. Iwewe ndoda kuti
uzonoona Master womubvunza nezvangu ugonzwa kuti anoti
kudii. Kana ukandiitira favour iyi I will be forever indebted to
you shamwari.’ Akadaro Hazvinei.
‘Inga unondiziva wani. Izvi zvidiki-diki hazvitode kana effort.
Chimira ndifonere Martin ndinzwe kuti anoti kudii.
Ndokuudza zvaanenge ataura.’ Akadaro Matilda achizamura
semunhu akanga ave nehope. Ko kurara masikati ndokwaive
kubasa kwakeka chimwe chaaiita chii kunze kwekuswera ari
pamba hake.
‘Pakanaka sahwi. But for now ndaakutombobuda ndinange
kuYellow city kuMarondera kune imwe shamwari yangu
inogarako yakasiiwa nemurume. I think kuMarondera I will be

107
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

safe. Chimwe chinhu chandinoda kuti uite kutaura naDoctor


vaya vandakuudza nezvavo kuti vagadzirise mapepa
anotaridza kuti ndakasiya nyemba. Ukadaro ndoziva kuti
Master anenge aakukwanisa kuoneka paamire chaipo. He
almost killed me but hazvina basa. Ndirikuda kuona
zvaanofunga uye kuti anoswerepi, achiitei uye naani. Every
detail in fact. Kana ndaziva pfungwa dzake ndinenge
ndaakukwanisa kuita decision from there.’ Akadaro Hazvinei
achisimuka paakanga akagara.
‘Zvisiire mumaoko angu. Munhu haangangokumitisaka oda
kukusiya nekuda kweumwe musikana. Apo ndaramba. Ndonzi
chihera ini. Just chill and watch me. Every problem
inongofomatwa hazvinetsi. Uchiri kuziva zvandakaita
Lawrence zviya.’ Akadaro Matilda ave kutosimuka kuti
aburitse shamwari yake. Zano revaviri ava raive rekuti
Hazvinei haaifanirwa kuonekwa saka aifanira kutoenda
kuMarondera. Aingokwenya mhuno nekasiyanwa kuti dai
pakasawana munhu wekuziva anogona kuzoita kuti
zvizivikamwe kuti aive mupenyu.

Matilda akazonosiya Hazvinei achikwira mota dzaienda


kwaRusape. Aizodzikira zvake paMarondera ozobata mataxi
ekusvika kumba kweshamwari yake. Pfungwa dzake dzakanga
dzatove kure. Chinhu chimwe chete chaakazvivimbisa chaive
chekuti kana Laura aive iye honzeri yekupesana kwake
naMaster aizomutaridza gwara nenzira inorwadza.

——————————————————————

Laura zvaakasvika kumba akabva angosiya amai vake vave


kugadzira muriwo achimhanya kwaana Hazvinei. Mwoyo wake
wakanga usina kugadzikana kusvika aona shamwari yake.
Vaviri ava vaive mukombe nechirongo kubva muhudiki hwavo.
Laura zuva rese akaswera akabatikana nekuda kwekusawana

108
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

umwe wake. Panguva iyi aive nematama aaida kugoverana


neshamwari yake. Aida kumuudza nezvekukomana akanga
amukanda shoko ainzi Luke. Laura aiona Luke ari munhu aive
so repulsive zvekuti aive type iya isingakwanise kuchengeta a
relationship. Akatanga kufunga rough yaakanga amuita uye
ropa raakanga aona mumotokari yaLuke. Akave nechokwadi
chekuti Luke uyu ndiye akanga akamira naHazvinei uye kuti
vaive vabuda vese. Yaisambova coincidence kuti nguva
yakashaika mota iyi ndiyo nguva yakashaika Hazvinei. Pane
chakavanzika chaivepo chete. Mwanasikana akazvipira
kutsvaga kuti chii chaigona kunge chaivanzwa nemukomana
uyu.

‘I have to find out more about Luke. He is such a strange


fellow. I have to be careful because maitiro ake haana
kutsarukana.’ Akadaro achitaura hake ega ari munzira kuenda
kwaana Hazvinei. Malines avo aisave kure nekure saka
akakasika kusvika. Akangoti achisvika akabva atambirwa
nehanzvadzi yaHazvinei yainzi Crispen.
‘Hesi Cris?’ Akadaro Hazvinei achikwazisa Cris.
‘Ndiribhoo. Ko Hazvie aripi. Asouya kumba kwenyu kare
ndanga ndakamumirira kuti tiende kwasekuru kuKuwadzana.’
Crispen akadaro achitaridza kusafara nekuda kwekunonoka
kwehanzvadzi yake.
‘Haana kusvika kumba uyu. Ndiri kutofunga kuti ari kuno.
Ndiye wandanga ndauya kuzoona. Zvino kana muchiti haasi
kuno manje ndotangira papi. Ndiri kuda kumuona zviri
urgent.’ Hazvi akatura mafemo achitogara palawn yaive
paside pedurawall repana Hazvinei.
‘Don’t joke uchidaro. Ndakatomumirira now. Mira
ndimufonere ndinzwe kuti arikupi.” Crispen akadaro
achitodialler nhamba dzaHazvinei. Phone yakabva yatanga
kuringer. Phone yaHazvi yaingochema isina anodaira izvi
zvakaita kuti Cris atutume nehasha.

109
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

——————————————————————–

Luke akanzwa runhare rwairira mumota yake. Akabva aita pull


over kubva mumugwagwa. Akaisa hand brake ndokutanga
kutarisa kuti phone yairira yaive pai. Hana yake yakaita
seichadauka nemukanwa paakaona iri cellphone
yaHazvinei.Akatarisa ndokuona kuti yakanga yakanzi Mukoma
Cris. Akatanga kuzvibvunza kuti Cris aive ani. Akatanga kuve
nepfungwa yekuti Hazvinei akange arikuonana nasomeone.
Pakakata call iya hapana kuita nguva pakabva papinda
message yaibva kuna Cris.

Hazvie, sweetheart ndizvo zvatatenderana here izvi? For how


long should I wait for you? By now we would have gone
maybe takutodzoka. Apa you are ignoring my calls. Uripi?

Ndiyo message yaive muphone yaHazvi. Luke akanzwa kuvira


nehasha. Akatanga kuita curse Hazvinei akamira parutivi
pemugwagwa.
‘So this slut was cheating on me. Her death saves her right.
Let me check mamessages mamwe perhaps might pick up
more evidence of infidelity.’ Luke akadaro achitovhura
mamessages akasiyana siyana. Hapana kana chaakaona
chakashata pane namwe ese mamessages. Akazoona dzimwe
nhamba dzaive dzakanzi Laura kwakuenda kuWhatsapp.
Akanyemwerera paakaona iri tsvarakadenga iya yakambenge
yamushainira. Akatora nhamba dziye kwava kudzisevha
muphone make. Akanzwa simba rekuti akanga ave
nepekutangira.

110
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

Chapter 19

Detective Sergeant Kasange vakafamba vakananga kwavaive


vadaidzwa naDC Hwata. Havana kunge vaziva kuti chii
chakanga chaonekwa neumwe wavo asi vakave nechivimbo
chekuti zvakanga zvakakosha. Vakasvika ndokuwana paive
naDC Hwata paine maspent cartridges epfuti diki akanga ari
nechepakamunda kaive kuseri kwemba.
‘I have found some spent cartridges mugarden muno. I think
we might have something here.’ Vakadaro DC Hwata
vachitaura nashefu vavo VaKasange.
‘Mr Tom Kasawaya we just have to ask you a few questions in
respect of the spent cartridges found at your backyard. Do
you by chance own a pistol? Or is there any member of this
household who owns a pistol?’ Vakabvunza DS Kasange.
‘Maya hapana ane pfuti pano. Ndina sekuru vangu vanoita
zvekutengesa bute ndivo vanowanzoshandisa makasha
emabara senhekwe kuisira fodya yavo yebute.’ Akadaro
Rodrick. Akanyatsoongorora varume vaviri ava akagutsikana
kuti vakanga vavinga zvebasa chaizvo. Chakanyanya
kumukatyamadza chaive chinangwa chavo chekuti why
vakanga vangoerekana vasvika pamba pake. Akambofunga
kuti zvimwe vaive neinformation yavakanga vainayo maringe
nenyaya dzakewo. Rodrick uyo aizviti Tom Kasawaya
aizivikanwa nekuba, kuponda nekubatsira vanhu kuyambuka
border zvisiri pamutemo. Kunyange zvazvo aizivikanwa
nekuda kwekupara mhosva dzerudzi urwu, pese paaisungwa
aingodzoka pasina conviction. Chainyanya kurwadza hama
dzevanhu vanenge vakakanganisirwa naRodrick ndechekuti
aingonobhadhara kuti ave akasununguka zvakare. Detective
Sergeant Kasange vaizviziva kuti Tom uyu aive nemaprevious
crimes aakapara uye vaive nehumbowo hwakawanda
hwaitaridza kuti aiita zvechiokomuhomwe kumatare
edzimhosva kuti akwanise kuwana freedom yake.

111
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

VaKasange vakanyatsomutarisa pavaimubvunza mibvunzo


maringe nemaCartridges akanga aonekwa naDC Hwata
mukamunda kaive kuseri kwedzimba dzavo. VaKasange
havana kugutsikana nemhinduro yavakanga vapiwa. Vakabva
vaenderera mberi vachimubvunzurudza at the same time
vachinyatsomuongorora maitiro aaiita kana achinge
abvunzwa mubvunzo. Chavakakwanisa kudzidza pana Tom
kwaive kuti akanga ave munhu ari seasoned
mukubvunzurudzwa uye aiziva pekutaura nepekunyarara.
‘Do you mind if we can conduct a search in your house?’ DS
Kasange vakabvunza vakatarisa Tom.
‘I don’t mind provided you have a search warrant with you.’
Akadaro Tom achitoziva kuti vakanga vasina kumbenge
vafunga nezvazvo. DS Kasange vakaona kuti apa vakanga
varasikirwa nemukana wekuti vaigona kuita glean something.
‘If that is the case it has to be some other time. Can you tell
me something Mr Kasawaya. Sekuru venyu ava vanoita
zvefodya yebute makasha enyere vanoawana kupi? Pane
munhu ari specific here wamunoziva anoita supply makasha
aya?’
‘Detective I don’t see how this has to do with me. I have a lot
of things to do and as you can see pamasvika ndanga ndava
kuda kutobudawo. Ndiri kutononoka for an important
appointment. Kana zvichikwanisika mouya mangwana
mobvunza zvamunoda kubvunza or I will visit your police
station.’ Akadaro Tom achitotaridza kuti akange asingatode
mapurisa pachivanze pake. DC Hwata vakabva vachengeta
macatridges aya avakanga vaona.
‘Sorry for disturbing you. We should be on our way now.’
Vakadaro DS Kasange ndokubva vabuda havo vakananga
kumotokari yavo. Vaviri ava vakabva vananga kuoffice vave
kunoronga kuti basa ravo voritangira papi. Kuna Tom pane
information yavaida maringe nerobbery yakange yaitika
mazuva mashomanana akanga apfuura. Tom aizivikanwa

112
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

nematikitivha akawanda zvekuti kana vangoziva MO


yakashandiswa vaibva vatoziva kuti ndiani akange ari
involved.

————————————————————–

Detective Sergeant Kasange naDetective Constable Hwata


vakafumobata jongwe muromo vakananga kuoffice vachida
kuita analyse zvavakanga vawana pascene yakawanika
chitunha chaLaura. Pavakaita revisit scene vakazowanawo
zvimwe zvinhu zvavaifunga kuti zvaigona kuzovabataira
pakuferefeta nyaya iyi. Business card rakanga rawanikwa
pascene vakaziva kuti raive risina chiyamuro chakanyanya
nekuti mhondi iyi inogona kuve one of the many clients
dzemuridzi wecard iroro. Asi panoparwa mhosva its always a
golden rule kuti hapana humbowo kana exhibit inonzi iri
trivial. Pavakazenge vadzokera vakaona kuti pakanga
pakarasirwa chitunha paine paine chitanda chaitaridza kuti
chakanga chabvarura imwe piece yehembe yemunhu
wavakafungira kuti ndiye aigona akarasa chitunha ichi. Vakave
nechokwadi chekuti mhondi iyi yakanga yabva panzvimbo iyi
nechimbi chimbi isina kutoona kuti hembe yayo yakabatwa
nemuti ikabvaruka. Vakawanawo zvakare a blood stained
bandage rakange riri pedyo nepakanga pakaraswa chitunha
ichi. Vaviri ava vakazoronga kuti vaifanira kuenda kwaPioneer
uko kwaiseenzera mukomana uya wekutanga kuona chitunha.

DS Kasange naDC Hwata vakabva vabuda ndokurova mota


vakananga kuPioneer vaine chivimbo chekuti vainowana
mamwe maleads. VaKasange vaizivikanwa nekugona basa
ravo kunyanya rekuferefeta iri. Vakasvika paPioneer Coaches
ndokunanga paReception. Vaviri ava vakakumbira kuona
Manager wepo ndokubva vanzi vambogara zvavo pabench
raivepo musikana wepaReception achifonera manager.

113
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

Hapana kuita nguva musikana uya akabva avataridza office


yavaifanira kunopinda kuti vaone Manager. Vakasvika
ndokugogodza pagonhi reoffice ndokubva vanzi vapinde.
Vaviri ava vakapinda VaKasange vari pamberi.
Vakachingamidzwa naManager ndokubva vapiwa pekugara.
‘Good morning gentleman. I am Mr Mazanhi MD wepano
paPioneer Coaches. Tobatsirana sei?’ Akadaro MD Mazanhi.
‘I am Detective Sergeant Kasange and this is my collegue
Detective Constable Hwata. We are from ZRP Homicide
section. Tirikuita a follow up pertaining the suspected murder
of a young woman who was found a few yards from your
company’s precincts. I guess you are aware of the incident.’
Vakadaro VaKasange.
‘Yeah sure. I heard about it and one of our employees actually
saw the body on his way to work.’ Vakadaro VaMazanhi.
‘That is why we are here. What is the name of your employee
akaona chitunha ichi?’ DS Kasange vakabvunza vachinyora
nyora muNotebook yavo.
‘Silas Mupambawashe.’ MD vanopindura vachizvigadzirisa
kubva pamagariro avaive vakaita.
‘Tisati taonana naSilas can we ask you something?’ DS
Kasange vakadaro.
‘Sure. Feel free to ask anything.’ MD vakadaro.
‘Silas munhu akaita sei? I mean hunhu hwake pamwe
nemashandiro. Nzvimbo dzaanofarira uye vanhu vaanoita
hang around navo.’ Vakabvunza VaKasange.
‘Tave nenguva tiinaye pane ndofunga rino rave gore rake
rechishanu ari pabasa pano. Pano anosevenza
saAutoMechanic. Munhu anoshanda zvekuti kana pano
tinodada naye. Munhu asiri social zvakanyanya zvekuti
haanyanyoita hang out nevanhu vakawanda. Kunwa anonwa
asi kwete zvekudhakwa. Anonyanya kufarira zvemabhizimisi
kunyanya kana asiri pabasa. Munhu anoita believe in working
hard kuti hupenyu hwake huendeke.’ Vakadaro MD. Panguva

114
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

yavaitaura VaKasange vaingonyora muNotebook yavo.


‘That is it for now. Tinokwanisa kumuonawo here
zvemaminitsi mashomanana? DS Kasange vakadaro
vachikumbira permission yekuona Silas. Silas akazouya
vakabvunza zvavaida kuziya.
‘ Silas wakadii?’
‘Ndiripo makadiiwo. Ndarasika ndiani wangu uyu?’ Akadaro
Silas achinyemwerera hake.
‘Ini ndonzi Detective Sergeant Kasange ava vandiinavo
ndiDetective Sergeant Hwata. Tiri mapurisa eHomicide
division. Pane zvatinoda kungoziva kubva kwamuri semunhu
akaona chitunha chemusikana watirikufungira kuti
akapondwa. Pane here zvimwe zvamakacherechedza panguva
yamakasvika pachitunha ichi? Hapana here kana vanhu
vamakasangana navo kana motokari ichibva nedirection ino.
Anything chamuchiri kurangarira.’ DS Kasange vakabvunza.
‘Zvandakuudzai ndizvo zvandichiri kurangarira. But pane mota
yandakasangana nayo yerudzi rweToyota inenge Allion kana
Runx pfumbu. Handina hangu kunyatsocherechedza
semunhu aimhanya kubasa.’ Akadaro Silas. Matikitivha aya
akazotenda MD ndokubva vabuda havo vave kuenda
kuStation.
‘At least we now have something. We have that business card,
the piece of cloth yatakawana paye, bandage riye nemadetails
abuda pana Silas eRunx. I think we have somewhere to start
from. What do you thinkDC?’ VaKasange vakabvunza umwe
wavo vari munzira kuenda kustation.

————————————————————

Pakangobuda matikitivha ave kuenda Rodrick akabva apinda


mumba nechimbi chimbi kwava kugadzirisa pfuti yaakanga
ainayo. Akabva avhura suit case yake yaive pfumbu kwava
kubvisa mari yaivemo. Suitcase iyi yaive iya hombe yaikwana

115
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

kana chimhuru chemombe. Yaive yakazara mari dziya


dzekuAmerica dzinonzi maObama nevazhinji. Akaziva kuti dai
matikitivha aya akaita search mumba make nekuona mari
yakawanda zvakadai zvaimupinza parumananzombe.
Mukomana anobva atora runhare ndokudialler number
achiisa phone panzeve.
‘How are you boss. Maone atanga. Pane police yangouya
paden from nowhere vachibvunza zvakawanda wanda. Vanga
vachida kutosecha paden saka ndajamuka nekuti vanga
vasina search warrant. Saka simbi dzaakuda kutochinjwa loc
stat because pakaipa. Handizive zvavari kufunga uye kuti
information yavainayo ndeipi. We need to be careful.’ Akadaro
Rodrick.
‘Hey calm down. Ndoona yekutamba ndosvikako soon. Ita
steady. Remember I am the master of it all. Handikwate
police. Ane mari ndiye mukuru handiti waiziva.’ Rakadaro
voice raboss kune rumwe rutivi rwerunhare.

116
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

CHAPTER 20.

Mike akazomuka ndokupinda mubath kuti ageze.


Pfungwa dzake dzakanga dzisina kugadzikana. Ainzwa
kuzvipa mhosva zvakanyanya. Akazviudza kuti
kunyangwe akageza zvakadii kuzvipa mhosva kwakanga
kusingacheneswe nemvura. Chinhu chaaifanira kuita
kwaive kuzvipa kumapurisa obatsirana navo kutsvaga
mhondi dzaLaura. Chinhu chakanyanya kumunetsa
chaive chekuti mapurisa aizogamuchira here nyaya yake
kana kuti vaibva vatomutora sesuspect panyaya iyi.

Mujaya akazopedza kugeza kwava kuenda mumba


avakunopfeka kuti abude. Akabva apfeka denim jean
reblue pamwe chete negolf T. Shirt yered. Akatora cap
yake yered ndokubva apfeka. Asati abuda akapfapfaidza
perfume yaaisizora nguva zhinji. Akabva abuda
ndokunanga zvake mudhorobha. Zuva iri haana kuda
kuenda nemotokari yaRopafadzo. Zvaainzwa zvaida kuti
ambonwira mbichana kuti tsinga dzake dziti dzikamei.
Akapinda paPortugal, rimwe bhawa riri mutown pedyo
naEnterprise ndokutenga quart reBlack Label. Ainwa
zvake zvinyoronyoro akagara zvake muchikona ari ega.
Pakarepo imwewo tsvarakadenga inobva yapinda
yonanga pacounter yotenga maCan maviri eSwitch.

117
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

Mike anotarisa tsvarakadenga iya painenge yave


kufamba ichibuda paPortugal.

'Excuse me Ms.' Anodaidzira Mike. Tsvarakadenga iya


yakaita seisina kumunzwa kwava kufamba ichibuda
panze. Mike anosimuka paakanga akagara akabata quart
rake mumaoko achibudawo panze. Akaona
tsvarakadenga iye yave kupinda mune Benz yeblack.
Akabva amira paentrance yaipinda mubhawa muya
kwava kutarisa mota iya ichiita reverse kubva
muParking lot yavakubuda. Pane zvakauya mupfungwa
dzaMike paakaona musikana uyu. Pane
kwavakamboonana mumashure asi haana kukwanisa
kurangarira kuti vakamboonana kupi. Mike akabva atora
taxi ndokubva audza mutyairi kuti atevere Benz iya.
Akave nechidokwa dokwa chekuda kuita refresh
memory yake kuti akambosangana kupi netsvarakadenga
iyi. Pamberi petaxi yaaive paive nemota nhatu kuti
asvike paive neBenz iya. Mota yakarohwa mutyairi
wetaxi achinyatsove nechikwadi chekuti pakati pake
neBenz paisafanira kuwanda motokari.

Mike aingokwenya mhuno nekasiyanwa. Mota iya


yakazobuda mutown ichipinda munaSimon Mazorodze
yakananga nedivi rekuHighfields. Vakati vachingosvika
pamarobots epanaWillowvale naSimon Mazorodze robot

118
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

rakabva ratsuka asi Benz iya yakanga yatopfuura. Mike


akanzwa mwoyo wake kurwadza.

'Driver. Did you check nhamba dzeBenz yanga


iripamberi pedu?' Mike akabvunza.

'Yes. It is a personalised number plate yakanzi MASTER


01.' Akadaro driver uya robot richibva raitawo green.
Mota yakabva yarohwa asi Benz iya havana kuzoiona.
Mike zvakamunetsa mupfungwa kuti mota iyi yakange
yaendepi uye musikana uyu aive ani. Panguva iyi ari
kushishi rekupishana nepfungwa runhare rwake
rwakabva rwarira. Hana yake yakanzwa kufara paakaona
contact yakanzi CUPCAKE. Akabva aziva kuti ndiRopa
aifona.

Mufaro wake hauna kuzombogara nguva yakareba


paakanzwa izwi gobvu richitaura kune rimwe divi.
Akakatyamadzwa nazvo. Ko chii chakanga chawira
Ropa kuti azosvika pakuita kuti runhare rwake
rwushandiswe nemunhurume. Akambonzwa kuvira
nehasha asi akazvidzikamisa. Aiziva kuti Ropa akabga
asiri mhando dziya dzevasikana vanoita gumbo mumba
gumbo kunze. Mike aivimba netsvarakadenga yake iyi
uye akanga akamutsidzira kuti vaizove nyama imwe
chete munguva shoma yaitevera. Mike ane zvishoma
zvaaimbobatanidza zvakaita sekuvaka nekuita establish
kabhizimisi kaizovabatsira netumari tushoma twekuti
119
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

vadyewo sezvo nyika yainge yakaoma zvekuti kuti


umurire kuhora kubasa mari dzacho dzakange
dzisingakwane.

'Hello.' Mike akadavira runhare rwuya. Pakamboita


kanguva paine runyararo ndokuzonzwa izwi gobvu
richitaura kune rimwe divi.

'Mr Moyo or Barrister Moyo I hope I find you well. I


know you must be wondering how I got your fiancees
phone. Save that for later. You have successfully
completed our initial task and remember we have to
meet you at 2200Hours. Your failure to come might cost
your beloved Queen's life. The intelligence we have so
far about you is sufficient to make you go down the
cesspit of the unforgiving penitentiary. Mark my words.
Ten O'clock this evening be at the Barn outside Idahoo
in Norton. There is a lot of business to discuss Old
friend.' Rakadaro izwi riya. Mike aiedza nepese
paanogona kuti akwanise kuziya kuti izwi iri raive raani
asi zvakaramba. Dikita rakanga rongomokoteka muviri
wake wese apa mabvi ake akanga asisina kana simba.

'Is my woman safe?' Mike akaerekana abvunza.

'She is perfectly safe. I bet she misses you as much as


you do. But be warned do not communicate with anyone.
Come alone. Someone will meet you at the Barn and
direct you to the rendezvous. Dont be late. Bye.' Runhare
rwakabva rwadambuka. Mike akanzwa kurwadziwa kuti
120
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

akanga asina kukwanisa kunzwa izwi remudiwa wake.


Akabva ayedza kufona asi phone yaRopa yakanga
isisapinde. Panguva iyi hana yake yakatanga kurova
zvayaisamboita.

'Ropa is in trouble.' Akadaro achitaurisa asi aifunga kuti


zvaive mumwoyo.

'Who is Ropa sir?' Taxi driver akabvunza. Mike akabva


avhunduka.

'WHAT?! Can you drop me here. I will walk home.'


Akadaro Mike. Driver uya akabva amisa motokari
ndokudzikisa Mike achipiwa $10 yake yehiring yakanga
yaitwa. Mike akatanga kufamba achipinda nemuWestern
Triangle pfungwa dzake dzisisina kugadzikana. Aiziva
kuti aifanira kudzokera kumba kuKuwadzana asi
panguva iyi akabva afunga kunoona sekuru vake vaigara
muCanaan.

Akasvika ndokuwana sekuru vake vasipo. Akabva atora


kabhuku kaaiwanzofamba nako kwava kukwachura
kabepa ndokunyora kaNote kaaida kuti sekuru vake
vagoona. Anobva abuda akananga kuMapuranga
kunotsvaga kombi yekuenda kuKuwadzana. Kubva
kuKuwadzana kusvika kuBarn kwaisave kure. Iyi
inzvimbo yaaiziva nekuti aisimboendako neshamwari
dzake vachinotandara. Akatanga kuzvibvunza kuti ko

121
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

Ropa aive safe here? Ko uyu akange afona aive ani uye
phone yaRopa akange aiwana kupi? Mupfungwa dzake
akatanga kufungawo kuti kuda Ropa aizivana nevanhu
ava. Asi kana aizivana navo ko chinangwa chake
chingave chei chekuti asvike pakudai? Kuti Ropa angave
nechekuita nekupondwa kwaLaura? Kwete
hazvingamboita nekuti Laura was just a harmless young
girl and Ropa haaimboita pfungwa yakadai. Ropa aitya
kana kuuraya nhunzi chaiyo nekuti aikoshesa hupenyu.
Idzi dzaive pfungwa dzaaipishana nadzo.
Akazozvibvunza zvakare kuti sei munhu akange afona
amuti Old friend uye sei akanga asarudza Barn
senzvimbo yekuti vasangane. Panguva iyi zvakatanga
kujeka kunaMike kuti munhu akanga aita izvi aive
munhu wekuziya. Chakanyanya kumunetsa ndechekuti
hapana kana munhu waakanga akatadzirana naye zvekuti
angasvike pakuita zvakadai kwaari.

--------------------------------------------------------------------

Rodrick anobuda pamba nechimbichimbi nekuti hana


yake yakanga isisina kugadzikana. Anopinda
mumotokari yake yerudzi rweToyota Runx yaive
pfumbu kwava kuibaya akananga kuHopley uko
kwaaifanira kunosangana nevamwe vake. Hazvina
kumutorera nguva kuti asvike pamba paigara Godwin
122
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

Tinacho. Paakasvika akatowana Godwin achibva


kunogeza. Vaviri ava vakabva vapinda mumba
ndokuyanga kukurukura havo dzimwe nyaya. Rodrick
akazoparura nyaya yezvaakange asangana nazvo asati
abuda mumba.

'Shamwari nyaya iyi haichina kumira zvakanaka. Ko


wadii kuuya nezvombo zvacho kuno taona kuti tozviita
dispose how. Ko iwo mapurisa asvika kumba kwako
vachitsvagei uye wavaudza kutii?' Akabvunza Godwin
achitaridza kubatikana.

'Kana neni handisikutozvinzwisisa kuti chavasvitsa chii.


I still need to find out kuti zvii zviri kuitika. Ko Revai
naFungai varipi? Pane zvavati vave kuziya here?'
Akadaro Rodrick. Panguva iyoyo Fungai akabva apinda
aine umwe musikana. Rodrick naGodwin vakabva
vadambura nhaurirano yavaiita.

'What are you two talking about. Mati ndave kuziya chii?
Asi I am missing something?' Akadaro Fungai
achitaridza musikana waakanga ainaye pekugara.
Rodrick naGodwin vakangotarisana voshaya kuti voti
kudii. Rodrick haana kufara nekuda kwemusikana uyu
aitaridza kuti akanga ari umwe wetsvarakadenga dziye
dzeusiku. Rodrick akange aine karuvengo kunyanya
kuvanhukadzi verudzi urwu asi Fungai ndokwaive kudya
kwake. Hapana akakwanisa kupindura Fungai zvaakanga
abvunza.

123
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

Musikana uyu ainzi Tsonzi. Iri ndiro zita raaidaidzwa


naro. Chisina kuzivikana naFungai nevamwe vake
ndechekuti Tsonzi akanga asiri musikana weusiku asi
aive mutapi wenhau aiita iya inonzi Investigative
Journalism. Kana paine basa raizivikanwa naTsonzi
raive rekufeya muchivande. Zita rake rekuberekwa ainzi
Tsitsi Hambakwa. Akanga akaberekerwa kwaMurewa
mubhuku rasabhuku Ganyaupfu pedyo nepaMasunzwe.
Akakura ari musikana aiseenza nesimba kusvika
azopedzawo zvidzidzo zvake zvejournalism.
Chaishamisa ndechekuti nyaya zhinji dzaibatsira
mapurisa kuwana maleads dzaiburitswa naTsonzi. Zita
rake raaizovikanwa naro mumapepanhau raive
rakasiyana neraaishandisa sechifeve. Pakamboita nguva
yerunyararo Rodrick ndikuzokumbira kumbobuda achiti
aida kumbonotsvaga zvekunwira vachitandara havo.
Paakangobuda Fungai akabva asara achirezvana hake
naTsonzi.

'Rega vakomana vambonotsvaga zvinwiwa isu hedu


njiva dziri murudo tichirezvana hedu.' Akadaro Fungai.

'You can say that again sweety. So from here tirikuita


sei? Seems shamwari dzako hadzina kufara pandapinda
muno.' Akadaro Tsonzi.

'Aah ndozvavari. They are not used to having ladies


around. Iwewe unenge wakati ngwarirei ndichataura
124
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

nevakomana upinde muchikwata chedu timbokudzidzisa


kuruka mari.' Akadaro Fungai achitamba nebvudzi
raTsonzi.

'Aah ibasa rei iroro ramunoita rekuruka mari. Ini handidi


kuzopedzesera ndakuitiswa zvinhu zvine kutyora
mutemo mukati. Ndakambozviita kwemakore akawanda
but ndakazochema ndasiiwa pachena nevandaishanda
navo.' Tsonzi akadaro achigadzirisa hembe yake
yaakanga akapfeka. Yaive pfupi yaitaridza chimwe
chikamu chezvidya zvake zvaitaimira kutaridza kuti
raive ganda remunhu ane hutano chaihwo. Fungai aiti
kana akamutarisa ainzwa musoro wake uchidzungaira
semombe yarasa mwana.

'We are the Scorpions hatiite zvakadaro. Hatirase vamwe


vedu. We undertook to a sacred oath of brotherhood. It is
our conviction that if one goea down we go down
together. But kana munhu akapanduka we are left
without an option we eli...' Haana kuzopedza kutaura
zvaaida kutaura nekuti Godwin akabva apinda. Haana
chaakataura akangosvikogara pamatress yaive mumba
make. Kamuri raigara Godwin raive rakati kurei
zvirinani. Kumadziro kwemba iyi kwaive kwakaiswa
macurtain eyellow akapoteredza kamuri rese. Maive
musina hamo midziyo yakawanda-wanda zvaitaridza
kuti akanga asingagari mumba iyi zviri permanent.

125
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

Tsonzi akatanga kunyatsoongorora ndokuona kuti imba


iyi inenge yaishandiswa seHide out kana kuti nzvimbo
yaisangana vakomana ava vachironga mabasa avo.
Chaasina kunzwisisa kuti vakomana ava
vaimbonyatsoita basa rei uye kuti vaizviitira here kana
kuti pane munhu wavaishandira. Kusangana kwakaita
naFungai kwakaita kuti ave nechidokwa-dokwa chekuda
kuziya zvakawanda pamusoro pake. Chakanyanya kuti
aite interest iyi mashandisirwo aiitwa mari naFungai.
Aishandisa mari zvisina kana hanya zvaitaridza kuti
aiiwana zviri nyore. Iye Fungai haana kana
paakambofungira kuti Tsonzi angangova musori.
Musikana uyu akanga ave nenguva achiyedza kutsvaga
zvakawanda pamusoro paFungai neshamwari dzake.

Akatanga kurangarira kubva paakatanga kuve neInterest


yekuda kuziya nezvevanhu ava. Ane chinyorwa(Article)
yaaiita maringe neboka rainzi SLAC. Mukutsvagurudza
kwake ndipo paakazoziya kuti SLAC yaitungamirirwa
nemunhu ainzi Master. Master aizivikanwa as Master of
Disguises zvekuti vanhu vaimuziya vaive vashoma.
Tsonzi akave nechido chekumuona pamwe nekunzwisisa
kuti SLAC yaiita nezvei. Pane zvaakambenge anzwa
nerunyerekupe. Akazoita rombo rakanaka kuti akabva
azoziya kuti Fungai aishandira SLAC zvinova izvo
zvakaita kuti aite seakanga awira murudo naye. Ukuwo
Fungai aitove rima hake hapana kana chaaiziya pane

126
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKII

zvaifungwa naTsonzi. Munamato waTsonzi waive


wekungoti Cover yake isazivikanwe. Pane zvaasina
kufarira paakasvika naFungai. Shamwari dzake
dzaitaridza kuti hadzina kufara nekuda kwake.

-------------------------------------------------------------------

Rodrick paakabuda akatanga kuzvidya mwoyo.


Musikana waakaona akauya naFungai aimuziya
kunyangwe zvazvo akanga asina chokwadi kana
musikana uyu aimuziya. Akarangarira kuti musikana uyu
akambenge asangana naye achiita coverage yeMass
Media Workshop paJameson hotel. Panguva iyi Rodrick
aishanda paJameson Hotel achiita zvekuCleaner. Apa
ndipo paakatanga kuziva nezvemusikana uyu kuti aive
journalist. Akashamisika kuti sei munhu waaiziya
saTsitsi Hambakwa akanga ave kuzviti Tsonzi. Hana
yake yakatanga kumuudza kuti pane zvakaminama chete
pane zvaiitika. Akatanga kuona Tsitsi as a potential
threat asi haana kuziya kuti oudza sei Fungai
nezvaTsonzi. Mumwoyo make akabva atanga kuzviudza
kuti aifanira kutora danho rekuti kana Tsonzi aine
zvaakanga avakuziya pamusoro pavo zvaifanira
kutsakatika chinyararire. Kana Fungai aine informatiin
yaakanga aburitsa achiudza Tsonzi zvaireva kuti
vakanga vasisiri safe. Akabva asimudza runhare kwava
127
WHO KILLED LAURA BY PROFESSOR NGUGI WAMKIRII

kufonera Master kuti amuudze pamusoro pezvakanga


zvavapo.

--------------------------------------------------------------------
Mike akatarisa chiringazuva chake ndokuona kuti nguva
dzakanga dzadyana. Haana kuzoda kuramba aripamba
anobva atora mota yaRopa ndokupinda munzira kuenda
kuBarn. Aiziva kuti akasvikawo pachiine nguva
zvaimupawo mukana wekuita familiarise nerima
raizouya. Akarova mota ndokumbomira paSnake park
achitenga zvinwiwa. Akazosimudzira ndokusvika
paIdaho otora nzira inoenda kuKawanzaruwa.
Achingopfuura paKawanzaruwa anobva atora
mugwagwa unopinda kuPlantation yemagum tree
ndokusvikopaka mota yake ave kumirira kuti 2200 hours
dzikwane. Hana yake yairova asi aive nechivimbo
chekuti note yaakanga asiya kwasekuru vake vaizoiona
voita sekuraira kwaainge aita.

128

You might also like